Professional Documents
Culture Documents
Misambo Yevashona-1 PDF
Misambo Yevashona-1 PDF
Misambo yeVaShona
Izwi rokutanga
1|Page
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
5.0 MHURI
Zvinangwa
2|Page
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
3|Page
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
1) Zvinobatika
4|Page
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
5|Page
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
6|Page
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Zvinangwa
Kudoma nzira nhatu huru dzekufambiswa kwemashoko.
Kutsanangura kufambiswa kwemashoko kwanhasi nekwakare.
Kudoma zviga zvishanu zvekucherechedza pakufamba.
kwemashoko.
Kutsanangura kufamba kwemashoko mumagariro.
7|Page
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
kufambiswa kwemashoko
kutaura
kunyora
micherechedzo
a) Kutaura
Uku kufambisa mazwi anonzwika atingataura anotakura pfungwa dzatiri kuda kuti
dzisvike kwadzinofanirwa kusvika. Muteereri wedu kana ari pedyo nesu zvinoita
nyore nekuti anozvinzwira tichitaura. Kana muteereri asiri pedyo zvinoreva kuti
panofanirwa kutsvagwa maendeserwo emashoko ekutaura aya kwaari nenzira
inoita kuti asvike ari ekutaura anonzwika saizvozvo. Ndipo panozoshandiswa
nhume dzinonotaura zvarehwa kana kushandiswa mawairesi, nhare kana
materevhizheni anodaidzira mazwi ari kutaurwa nemutauri panguva iyoyo.
b) Kunyora
Aya mazwi chaiwo emunhu anonyorwa papepa anotaura chaizvo zviri mupfungwa
dzemunyori. Zvinyorwa zvinoenda kumuteereri zviri mumhando dzakasiyana-siya
dzinogona kuverengeka kumutambiri wemashoko. Zvinyorwa zvinogona kuve
zvepapepa kana kuti zvinogona kuve zvinyorwambozha zvatave kuona
pamakombiyuta, panharembozha, pamaterevhizheni nepane zvimwewo
8|Page
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
c) Micherechedzo
8.4.1.1 Nhume
Pane nguva dzatinoona zvakakodzera kuti tifambise mashoko edu nenhume
zvichida nekuti isu toga takundika kusvitsa mazwi toga nekuda kwezvikonzero
9|Page
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
8.4.1.2 Nhare
Tinokwanisa kufambisawo mashoko ekutaura nekutaura nevateereri tiri panhare.
Nhare dzinofambisa mashoko edu chaiwo kuvanhu vatinenge tichitaura navo.
Mhinduro tinobva tadziwana ipapo ipapo pasina zvokumbomirira kuti tizoiwana.
10 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
8.4.1.4 Nziyo
Tinoimba zuva nezuva kufambisa mashoko akasiyana-siyana. Pamisangano
tinoimba kufambisa zvakaringana nemisangano yedu. Tinoimbawo muzvitendero
tichifambisa mashoko akasiyana-siyana sokurumbidza unaku hwemapato edu
ezvematongerwo enyika kana ukuru hwamwari kana kurumbidza ukuru
hwemidzimu. Kuimba kwedu kutaura kunofambisa mashoko atinenge tichida kuti
anzwike munziyo dzatinoimba. Kana vari varwi vehondo vanewo nziyo
dzavanoimba vachishingisana nekuyeuchidzana pane zvavanenge vachirwira.
1.5.1 Tsamba
Tinogona kunyora tsamba dzakasiyana-siyana dzinoenderana nemhando
yemashoko ari kuda kutumirwa. Idzi dzinotakura mazwi chaiwo emunyori
dzotaura dzakamumiririra. Dzinoshandawo chaizvo kufambisa mashoko angave
ebasa kana emafaro. Kana ari mashoko ebasa tsamba inenge yatovawo yebasa.
Kana zviri zvimwewo panonyorwa tsamba dzakareruka zvinopindirana nemashoko
anenge aripo.
Mazuva ano tsamba idzi dzava nemhandonyana mbiri dzinoti dzokunyora papepa
netsambambozha. Nekushanduka kuri kuita zvinhu, tsamba dzepapepa idzi dzave
11 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
8.5.2 Dandemutande.
Dandemutande rinoshandiswawo zvakanyanya kwazvo mukufambiswa
kwemashoko akanyorwa. Dandemutande rinogona kubatwa pamidziyo
inokwanisa kushandisa masaisai edandemutande aya senharembozha,
makombiyuta nemamwe materevhizheni emazuva ano.
12 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
8.6.1 Zvinonzwika
Tine zvinorira zvakasiyana-siyana zvinogona kushandiswa semicherechedzo
yokutumira mashoko akasiyana-siyana anopindirana nezviridzwa zvacho.
Muzvikoro kana ukanzwa dare kana hwamanda yarira unobva waziva kuti yava
nguva yekuita zvakasiyana nezvawanga uchiita. Mabhero ari pamichovha
anotumirawo chenjedzo yengozi. Mipururu inogona kutaura kufara pane zviri
kuitika kana kutakura shoko rekurudziro kana pane ari kuita zvinhu
zvinoyemurika.
8.6.2 Zvinoonekwa
Ruvara micherechedzo inoshandiswawo kutumira mashoko. Kana wakaona
ruvara rutsvuku pachigaba chakavharwa usina kuverenga unobva waziva kuti
mune mushonga unoda kuchenjererwa nekuti une ngozi kune vari kuzoushandisa.
Kana paine ruvara rwezerere tinobva taziva kuti mune mushonga usina ngozi
yakanyanya kuvanhu. Kana muri mumugwagwa, ruvara rwezerere rwunotaura
kuti mushandisi womugwagwa anogona kufamba zvake kana zvakanaka kuti
adaro. Mwenje mutsvuku unotaura kuti timire kufamba nekuti kuita izvozvo
kunenge kuri kuzviisa mungozi.
13 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
14 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
KUFAMBISWA
KWEMASHOKO
KARE
kutaura micherechedzo
a) kudaidzira
a) zvainzwika
b) Guhwa
b) zvaionekwa
c) nhume
15 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
16 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
a) Zvainzwika
17 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
b) Zvaionekwa
18 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
19 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
8.8.2 Muzvinamato
Kana muri muzvinamato zvedu kazhinji vanhu tinoenda kunopiwa mashoko.
Vateveri vezvinamato vanonogara pasi voparidzirwa shoko riripo kubva kuvakuru
vezvinamato. Kana kuri kuChiVanhu masvikiro ndiwo atinoteerera zvaanotaura
nekuti tinotenda kuti ndiwo anotaura namusikavanhu kuburikidza nemidzimu iri
pavari. Kana vanhu vaine zvavanoda kuna musikavanhu, vanopira kuvadzimu vavo
kuti vavasvitsire kuvakuru vari pamusoro pavo kusvika zvasvika kuna mwari.
Tsika dzedu dzinoti kana tiine zvatinoda tinozvikumbira kana kuzvisvitsa kuvakuru
tichitevedza gwara reukuru hwedu kupira zvichemo zvedu. Hatingonoti kuvakuru
dyo-o, kwete, nyaya inotofamba negwara reukuru hwedu ichikwidza kuvakuru.
Izvi zvaiitirwa kubatanidza vanhu vose. Nanhasi kana tikada kuita zvemidzimu
ndiwo mafambiro emashoko avo kuna mwari wavo. Mhinduro dzavo dzinouya
kuburikidza nemasvikiro avo ayo anovaudza zvinodiwa kuitwa kuti hupenyu
hwavo husave nemadzudzo.
20 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
8.8.3 Munharaunda
Munharaunda mashoko anogona kufambiswa nemisangano, tsamba,
tsambambozha, nhume, mawairesi, materevhizheni, nziyo nezvimwewo
zvinogona kufambisa shoko zvakanaka.
21 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
22 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
23 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
24 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
25 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
zvavo vachiita sovotukana kana kushorana pasina anorwadzwa nazvo pakati pavo.
Zvinonyadzisa kumimwe misambo hazvinyadzise kumusambo uyu nekuti vane
ushamwari mukusekedzana hunovatendera kutaura zvakasununguka.
26 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
27 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
28 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Mapfekero evanhu ava mumusambo uyu akareruka asi anofanirwa kuve akatsiga
zvinopindirana netsika nemagariro epamusha.
29 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
30 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Musambo uyu haunyanye kutarisa mapfekero evanhu vari mumusambo uyu sezvo
vanenge vangosangana. Mapfekero anozotanga kuve nechekuita kana tava kuda
kuve nechekuita nevatorwa ava zvokuti musambo unenge wava kutoshanduka.
31 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Mapfekero avo anofanirwa kutaridza kuti vakaroorwa uyewo kuti vari pamusha
pevanyarikani. Zvipfeko zvavanopfeka zvinofanirwa kuve zvirefu zvinofukidza
muviri wose. Vanotogona kumonera mucheka unotsvaira pasi unozivikanwa
nokuti zambiya, mumusoro vakasunga dhuku.
32 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Basa
nayo. Anodemba anotaura nezwi rine kunzwisa tsitsi mukati, munhu achiita kunge
ari kuda kuchema kana kutotaura achichema nhamo inenge yamuwira.
‘Nedzoi nedzekuparadzika’
34 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Basa
35 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Basa
36 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Basa
11.0 MAKAKATANWA
Zvinangwa
38 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
a) Simba
39 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Nyaya yekuda kuva nesimba ndiyo imwe honzeri yemakakatanwa akawanda pasi
pano. Mumhuri chaimo baba vanogona kuita makakatanwa nemwana
nechikonzero chekuti anenge azvipa simba risiri rake. Ngatifungidzire kugumbuka
kungaite baba vako vakazowana iwe wabvumidza hanzvadzi yako kuenda
kumutambo webhavhadhe reshamwari yake. Apa unenge wazvipa simba risiri
rako, munonetsana pakadai.
Idzo hondo dzatinonzwa mazuva ose munyika kana pakati penyika inyaya
yesimba. Nhasi uno pane hondo yemazwi neyekugadzira zvombo zvinoparadza
voruzhinji pakati peAmerica neNorth Korea nechikonzero chekuti nyika imwe
neimwe inoda kunzi ine simba.
c) Ruvengo/ Godo
Ruvengo kana godo rinounza kusawirirana kana rimwe divi rakazviona kuti
haridiwe
d) Kusaremekedzana
Kutora divi kunoita kuti makakatanwa atange. Kutora divi pashamwari mbiri dzine
maonero akasiyana usingapewo pfungwa dzimwe mukana kunogona kuita kuti
makakatanwa atange kana kukura.
f) Kurwira pfuma
40 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
h) Kusiyana kwezvitendero
i) Guhwa
j) kuzvitutumadza/ kuzvikudza
41 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
42 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
43 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
44 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Zvayakaipira
- Inzira inokwanisa kuti ukama hubva hwangoshata zvachose.
- Inogona kuita kuti makakatanwa arege kupera asi kuti akure.
- Inzira yakaoma yekupedza nayo makakatanwa nekuti panogona
kunetsanwa zvikuru.
Zvayakanakira
- Pane nguva kana mukana wokuongorora nekugadzirisa makakatanwa
nepfungwa dzakakodzera.
- Inzira ine mukana wenguva yokugona kuona zvakakosha nezvisina kuti
makakatanwa apere.
Zvayakaipira
- Inoda kuichenjerera nekuti vanhu vanogona kutora mukana wenguva iripo
kukuitira zvausingade nekuti vanenge vane nguva yacho.
- Inzira inokanganisa kugona kugadzirisa makakatanwa nekuti dzimwe nguva
zvinopiwa mukana zvinenge zvisiri zvinhu kwazvo.
- Inzira inopedza nguva.
45 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
46 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
47 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
12.1 Mutupo
Iri izita rinopiwa vanhu vedzinza rimwe chete.
Sokuti; Vemutupo weTembo, vanhu vedzinza rimwe chete rinoera mbizi.
12.2 Chidawo
Iri izita rinozivikanwa naro madzinzanyana mumutupo umwe neumwe.
VanaTembo vanogona kuzivikanwa nezvidawo kana kuti madzinzanyana anoti,
Mazvimbakupa, Mubaiwa, Mudyanevana kana Wakapiwa. Aya madzinza
akazonyuka mumutupo weTembo vanhu vave kuzvisiyanisa nekuda
kwezvikonzero zvakasiyana-siyana. Kana mutupo uchitaurwa nezvawo munhu
anotaura mutupo wake neChidawo chake rinove dzinzanyana mudzinza guru
sokuti; Tembo Mazvimbakupa, Tembo Mudyanevana kana kuti Tembo Wakapiwa.
Chidawo chinoedza kudzora dzinza kuriita diki kubva kuguru sezvataona padzinza
retembo. Zvidawo zvataona zvakasiyana-siyana izvo zvinodzora ukuru hwedzinza
revanhu veTembo vachipinda muzvikwata zvidiki zvemadzinza mamwewo asi ose
achibva muTembo yakare.
12.3 Chierwa
Imhuka, nhengo yemuviri yemhuka kana chipuka chamunosungirwa kusadya
muchichieresa somucherechedzo weukama hwevedzinza renyu.
Chierwa chevedzinza rekwaTembo imhuka inonzi mbizi.
Izvi zvakaita kuti nyaya yekuroorana ive yakatungamirwa nemitupo iyo inotsaura
vane ukama ichisiya vatorwa vanogona kuroorana. Kuuya kwemitupo kwakavewo
48 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Nyaya yekuda simba yakaitawo kuti vanhu vatange mitupo yavo. Kana munhu
aitanga dzinza kana dzinzanyana rake aibva ava nesimba nedzinza iroro
zvokutogona kuve mambo wedzinza iroro.
49 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
50 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
51 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
52 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Maokomavi Hungwe
Simbirori Hungwe
Zenda Hungwe
Marunga Hungwe
Gumbo Madyirapazhe Gumbo
Gwai Mukuruvambwa Hwai
Gumbi Hwai
Chuma Hwai
Mheta/ Dhliwayo Svova Shato
Tsiwo Gushungo Sikarudzi yechidzimai
Gusho Chikonamombe Mhara
Dziva Hove Hove
Muyambo Hove
Save Hove
Dziriro Hove
Nhewa Simboti Ingwe
Nhari Unendoro Nhuka
Shonga Nyati Nyati
Musoni Mhizha, mambeva Mbeva
Chiwambo Mbeva
Maremba Mbeva
53 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
54 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Chierwa. [3]
1. Nyora zvidawo zvitatu zvakasiyana zvemutupo weShumba. [3]
2. Ndezvipi zvinhu zviviri zviviri zvaungafunga kuti ndizvo zvakachiviwa
nemadzinza akasarudza zvierwa zvinotevera kuti ive mitupo yavo?
i) shumba [2]
ii) mbizi [2]
3. Tsanangura zvinhu zvishanu zvakakoshera mitupo. [5]
4. Vanhu vane mitupo inotevera vanoera chii?
a) Gwai
b) Mheta
c) Dziva
d) shuri
13.0 MIDZIMU
Zvinangwa
Kutsanangura kuti mudzimu chii.
Kudoma mhando mbiri dzemidzimu
Kutsanangura mauyiro emudzimu pamunhu.
Kudoma mabasa emidzimu muvanhu.
55 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
a) Midzimu yedzinza.
Midzimu yedzinza ine chekuita nemadzinza edu atinobva. Midzimu yemumusha
inonangana nekubatsira vedzinza raiye mushakabvu vane hukama hwepedyo
hwevabereki vamwe vari vemutupo umwe.
b) Midzimu yenyika.
Kunewo midzimu yenyika, iyi ine chekuita neruchengetedzo rwenyika yose. Iyi
hapana anogona kuiita yavo nekuti hainangane nemunhu umwe kana dzinza
rimwe nekuti midzimu yenyika yose. Ndiyo iya yatinozonzwa yonzi mhondoro.
Mhondoro mudzimu wemunhu akafa ari mambo. Mweya wemunhu akadaro kana
wodzoka semudzimu haunangane nekuchengetedza vekwake sezvinoitwa
nemidzimu yemadzinza, asi kuti unoita mudzimu wenyika yose nekuti ndiro raiva
basa rake rokutarira nyika yose. Kare umambo hwaisangogarwa chete, ainge
apiwa umambo nemhondoro aizogadzirwa nemushonga wainzi pipi kana kuti
tsenga waizoita kuti kana afa mweya wake uzogona kumuka uchiita mudzimu
wenyika.
Mudzimu waigona kuuya wega. Kana mudzimu wainge wada kuuya munhu
aionekwa nekuita kwakasiyana nekwemazuva ose. Munhu aigona kungorwara-
rwara zvisina tsarukano kana kungoita hunhu hwakasiyana nehwaizivikanwa
pamunhu iyeye zvokuti zvaipa vanhu mibvunzo. Kana zvadai vakuru vaienda
kugata kun’anga uko vainoudzwa zvaive pamwana. Ikoko ndiko kwavaibva
vabvunza zvaidiwa kuti zviitwe kuti mudzimu usvike zvakanaka kana zvaiva
zvekuuya kwemudzimu. Bira raizoitwa rekuunza mudzimu mumusha.
14.0 N’ANGA
Zvinangwa
59 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
N’anga dzine mashave kana midzimu inodzibatsira pabasa iri. N’anga dzinorapa
kana shavi kana mudzimu wapotera. Kana mudzimu iwowo kana shave iroro
rakakanganiswa hun’anga hunobva hwaparara. Dzinoshandisawo hakata kuti
dzitsanangure matambudziko ehurwere anenge aripo.
14.2 Hakata
Midziyo inoshandiswa nen’anga kuti dzitaure nevadzimu pane zvingade kuti
zvizivikanwe nemunhu anenge aine dambudziko. Dzinosiyana-siyana nekuti
n’anga inoshandisa chii. Anogona kuve mabhonzo, matombo, zvimiti
zvakagadzirwa kubva pamutohwe kana makoko etwuhozhwa twudiki kana
zvimwewo. Pahakata idzi pane dzinomirira mashave echikadzi dzinonzi
Nhokwara nedzimwewo dzinonzi Kwami dzinomirira mashave echikadzi zvakare.
Dzinomirira mashave echirume imhando mbiriwo zvakare dzinonzi
Chitokwadzima kana kuti Chirume. Hakata dzinopotserwa pasi n’anga
yotsanangura kuti kurongana kwadzo pasi kunorevei kuhurongwa
hwedambudziko rine munhu. Kana n’anga yoda kuudza munhu magadzirisirwo
angaitwa dambudziko rinenge richimudzudza, inogona kushandisa hakata idzi
zvakare kuti iudzwe nevari kumhepo kuti chii chinodiwa.
Hwekutenga.
Humwe hunoitwa zvokutengwa kubva kune vane simba racho. Uhwu ndihwo
hwakatekeshera nenyika huzere nevanhu vamwe vanonyepa. Hunogona kubva
musimba rezvikwambo kana nyanga kana hwave hun’anga hwekutenga.
Hwenjuzu
61 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Muripo Tsananguro
Badza Muripo wekuti muone n’anga
Mhandamidzi Muripo webasa rekutsvaka mishonga
Tsvukamukanwa Muripo wekunwa kana kukweva ropa pakurapa
Huku Muripo unogona kupiwa n’anga kuti itange basa
Musharo Muripo unopetera zvose zvaitwa nen’anga
Bikiro Muripo wefodya kun’anga yaiunzwa nemurwere.
62 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
i. Mhandamidzi
ii. Tsvukamukanwa
iii. Huku
iv. Badza
15.1 Zvieraera
Iyi mitemo yaicherechedzwa mumagariro eVaShona iine chinangwa chekuti
vanhu vagare zvakanaka. Haisi mitemo yakanyorwa kwete asi kuti yaidzidziswa
63 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
b)
mashura
a)
c) zviera
zvierasiri
ZVIERAERA
15.1.1 Zvierasiri
Zvierasiri ndezvemitemo yekurambidza kuita kwaisadiwa mukugara kwevanhu
nekuvatyisa. Vaizoita kuita kwairambwa vainzi vaizopesana nemidzimu. Kupesana
nemidzimu kwaireva rushavashava kana rushambwa rwainzi rwaizouya
kumuparanzvongo sechitarafu. Izvi zvaisava chokwadi, chokwadi chaivepo chaive
chokuti kana waityora zvierasiri wainge uchitsaudzira gwara remararamiro izvo
zvaizogona kuti upinde munjodzi kana kuti utadze kugarisana nevamwe
zvakanaka wakanganisa nyaya yehutsanana yaikosheswa kana kuti waita unhu
kana tsika dzaisadiwa.
64 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Mienzaniso;
ii) Zvaiera kudyira muhari. Zvainzi munhu aizoita mahobi kana aizodyira muhari.
Izvi zvaiitirwa utsanana nekuti hari ndidzo dzaibikirwa saka zvaisava nehutsanana
kuti munhu adyire imomo.
iii) Zvaiera kuchera mvura nehari yaive nematsito. Zvainzi zvaizokonzera kuti
tsime ripwe vanhu voshaya mvura. Chierasiri ichi chaiitirwa kuti vanhu
vachengetedze matsime aicherwa mvura neruzhinji akachena kuitira kuti
utachiwana hunokonzera zvirwere husapararira.
iv) Kugara murusero kwaiera nokuti kwainzi kwaikonzera kuti munhu ave muroyi.
Muroyi munhu akashoreka zvikuru muChivanhu chedu nekuti anonzi anoita
mabasa akashata zvikuru anosanganisira kurwarisa, kukonzera rufu uye kudya
nyama yevanhu, saka hapana aida kuva muroyi. Chierasiri ichi chaive chakaisirwa
kuti vanhu vachengetedze utsanana mumidziyo yakaita seiyi nekuti yaiisirwa
zvokudya.
vi) Kupfira mate parufu kwainzi kwaiera nokuti kwainzi kwaikonzera kuti hama
yako kana kuti iwe ufewo. Chaivepo ndechekuti vanhu vaida kuchengetedza
utsanana. Parufu panenge paine vanhu vakawanda zvokuti urwere
hunokurumidza kupararira kana pakasaitwa zveutsanana.
65 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
66 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
67 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
d) Mazai ainzi aiera kudyiwa nevadiki. Vadiki vainzi vaiita buka kana vaizodya
mazai. Chierasiri ichi chaive nebasa rekuti pasaite makakatanwa pakati pevadiki
nevakuru pamusoro pekudya uku kunonaka. Vadiki vaibva vazorega kudya mazai
nekutya kuita buka.
e) Kuridza muridzo usiku kwainzi kwaiera nekuti zvainzi munhu aiita izvozvo
aishevedza varoyi. Hapana aida kuti muroyi auye kwaari nekuti varoyi vaiva
nesimba ravaiva naro rokuti vaigona kukonzera kuti munhu atadze kurarama
zvakanaka. Chierasiri ichi chaive chakaitirwa kuti vanhu vasaite ruzha nguva
yokuzorora yemauro nekuti ruzha rwemauro rwunoenda kure rwuchikanganisa
vanhu vanenge vozorora zvavo.
f) Kudya uchifamba kwainzi kwaiera nokuti kwaiita kuti munhu aiite muromo
murefu. Vanhu vaibva vakoshesa chierasiri ichi nokuti vaitya kuzoita muromo
wakadaro. Chierasiri ichi chaive nebasa rekuti munhu aite tsika dzakanaka
pakudya. Hausi hunhu hwakanaka kudya uchifamba.
68 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
15.2 Zviera
Kwaivawo nemitemo yaisungirwa kutevedzerwa nekukosheswa mukurarama.
Zviera zvaisiyana nezvierasiri pakuti kana waityora mitemo iyoyo wainge washora
midzimu saka waisangana nechitarafu chokuita zvaisatenderwa
chematambudziko aikukanganisa raramo yako aibva kuvadzimu.
15.3 Mashura.
Mashura zviitiko zvaiera kuonekwa zvichiitika kana kunzwikwa kwazvo. Kana
zvaiitika, vanhu vaibva vaziva zvaireva zviitiko zvakadaro nekuti zviitiko izvi
69 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
Muenzaniso;
Kana dai munhu aiita nharo dzekushanda musi wechisi uyo wainzi waiera, aigona kusangana
nemashura aitaridza kuti zvaaiita zvainge zviri kunze kwemitemo yemararamiro edu. Munhu
iyeye aizogona kusangana nemashura akaita sokuona mhuka dzichiita zvimwe zvinhu
zvisizvo. Kuona zviitiko zvakadaro kwaive kusangana neshura raidudzira ngwavaira
yaizosangana namuparanzvongo mukurarama kwake.
Mashura akanaka
Mashura akaipa
70 | P a g e
Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari
71 | P a g e