Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 8

OBESITY - KUSIMBISA

"Vanhu vakawanda munyika varikufa nokuda kwekudya ....kutopfuura kufa nenzara..." - Benjamin
Franklin

Mashoko ava Benjamin angave azvokwadi here?

Kuti tinzwisire pfungwa yemurume uyu regai titange tadzidza mavara matsva nekushandiswa kwawo

 Overweight -uku kusimba kwakapfurikidza mwero kunogona kupinza munhu pamukana


wekuguma obatwa nezvirwere zvinobva kakusimbisa

 Obesity - kusimbawo zvakare kwakapfurikidza asi kwakati darikei kusimba kwe over weight

 BMI kana kuti Body Mass Index - ndicho chiyero chinoratidza masimbiro emunhu

 kana chiyero ichi chikaita kubva pana 19 kundosvika 25 munhu anenge ainemuwiri
wakanaka (normal body weight)

 kana chiyero chiri pasi pe 19 munhu uyu akapera muwiri (under weight)

 chiyero chikaita pakati pa25 na 30 munhu uyu akasimbisa zvinogona kumupa matambudziko
ourwere (over weight)

 chiyero kana chazopfuura 30 munhu uyu anenge asimbisa zvakapfuura mwero (obese)
kutopfuura pachiyero che over weight
Tingazive sei kuti miviri yedu yapfuura
mwero?
 kubva kuhama dzedu dzichitiudza mukuseka, kurumbidza kana kurwadziwa nazvo (murikisimba
mazuvano, baba vekwenyu varikukuchengerai, mawedzera muwiri nemamwe mashoko
avangashandise)

 tinogonazve kushandiswa chikero chedu chatambodzidza chinonzi BMI...chine formula


yakanyorwa pamupikicha uripadenga uyo

 kana kutozvionera toga takutadza kuita zvimwe zvataimbokwanisa kuita, tave kukurumidza
kuneta, kana tave kubuda dumbu kana kuwedzera muviri sezvakaiswa pamupikicha iripadenga
uyo

Ngatichidzokerai papfungwa yava Benjamin

vanhu vakawanda varikufa nokudyisa pane varikufa nekuda


kwenzara
Bato rinoona nezveutano pasi rose tenderere re World Health Organisation (WHO) rinotaura tichiti

 kubva mugore ra1975 obesity (kusimbisa zvakapfuura mwero) kwawedzera kanopetwa katatu

 vanhu vanemakore gumi nemasere (18) zvichifuura vanosvika 1.9 billion vari over weight
(kusimbisa zvinounza urwere) uye 650 million vari obese (kusimbisa zvakapfuura mwero
kutopfuura over weight)
 mutsvakurudzo mugore ra2018 kwakaonekwa kuti vana vanosvika 40 million vanemakore
aripasi pe mashanu (5) vari obese

 Uyezve tsvakurudzo dzegore ra 2016 dzakaburitsa kuti vana nevachangobva zera (makore ari
pakati pe (5 zvichisvika ku19) vari obese

 uyezve kukana wekuwa obese mugore iri (2016) wakanga kuri pa 18% tichitarisa nekuenzanisa
nemugore ra 1975 pawaiwa pa 4%

Saka zvinogona kudaro kuti vanhu vakawanda varikufa nekudya pane varikufa nenzara ....asi
zvichienderana nenzimbowo yaunogara nekuwana kwenyu munzvimbo imomo

Asi tichingotaura pasi rose tenderere kusanganisira nemuzimbabwe vanhu vakawanda vakurwara
nedambudziko iri rekusimbisa zvakapfuura mwero

Saka zvii zvinombokonzera kuti munhu


asimbise?
Tongoti kana simba ratinowana muzvokudya zvedu (calories) rikawanda kupfuura ratinomuditsa kana
tichishanda kana kufamba famba

...saka tinetarisiro yekuti pa lockdown pano vanhu varikudya kupfuura kushanda izvo zvinovaisa panjodzi
hurun zvinoisa munhu panjodzi yekusimbisa zvakapfuura mwero.
1. Kusashanda

Vanhu vakawanda nekuda kwekugara mumaguta atichawani mukana wakanaka wekuita basa.....
(tikamuka todya, tokwira makombi kana motokari dzedu tondoswera takagara kubasa kwedu,
todya panguva dzamasikati, tozouya kumba zvakare nemotokari tondogara pamasofa kudzimba
dzedu tichiona TV takamirira sadza remanheru kuti tirare)

2. Kudyisa.zvokudya zvedu zvinesimba rakawandisa (calorie dense) uyezve zvinhu izvi zvirinyore
kuwana kutopfuura zveneutano uye zvakachipa ticheinzanisa nezvinhu zvineutano

3. Genetics kutongobvawo muropa....zvoreva kuti kana mumhuri menyu vanhu vacho vakasimba
panemukana wekuti nemiwo munogona kuzvarwa makatosimba

4. Mamwe mapirisi anonwiwa nevanhu anoisa vanhu panjodzi yokuti vawedzere muwiri

5. Kusagadzikana nekushungurudzikana mupfunga

6. Kunewo zvakare zvimbwe zvirwere zvakaita se hypothyroidism ne insulin resistance zvinogona


kukonzeresa

Saka kana ndakasimbisa zvinebasa rei? (atina kuzvarwa tichinzi tose tichaita
vatete)

zvikonzero zvinoita kuti titi kunenjodzi


kusimbisa:
1. Zvirwere zvepamoyo ( heart disease)�

2. Chrirwere cheshuga (diabetes mellitus)��

3. Chirwere che Bp (hypertension)


4. Marwadzo emunyama nemuma joini (musana nemabvi) (arthritis)���

5. Mukana wakawedzerwa wekubatira gomarara (cancer) yakaita seyemudumbu, pazami kana


muchibereko

6. Panewozve mamwe matambudziko emupfungwa neepakuwirirana newanhu anosanganisira


kungoshaya mufaro

 kusekwa nevanhu nekunyeiwa, kana arimwana kuchikoro anonyara kutamba nevamwe vaka
kudzingwa nevamwe

 kuwana marishoma zvichibva pakudzikira kwebasa rakugona kushandwa pazuwa

 kungoneta nekuwana upenyu unorwadza

Chokwadi obesity idambudziko kwatiri

zvinogoneka here kuti kana ndasimbisa


ndotozodzikisa muviri wangu kuti uite
pachimiro chineutano?

Hongu zvinogoneka

zvingongodzokazve pa

N nutrition (zvokudya zvedu) ���

E exercise (kuzvisimbisa) ��♀���♂�

W water (mvura) ���

S sunshine (zuva) ��☀�


T temperance (kuzvidzora) ��☕

A air (mhepo yatinofema) ��

R rest (kuzorora)��

T trust in God (kuvimba naMwari) ����

Tikachengetedza mitemo yose iyi yeutano iri 8, zvinotibatsira pakuti


tiwe nemuwiri wakasimba zvakafanira
kunyangwe zvinhu zvakawanda zvichitibatsira pakudzikisa muviri, isu nekuda kwenguva shoma yatinayo
tichabata pane (nutrition) zvokudya uye (exercise) kuzvisimbisa�

Zvokudya

Panenzira dzakawanda dzekugadzira zvokudya zvinogona kudzikisa muwiri...zvinosanganisira kudzikisa


mafuta, nezvinhu zvekapisirwa mumaguta

 Ngatidzokei panezvinhu zvidiki zvatinonzwisisa

Pane akamboonawo here mombere kana zebra riri obese ...asi kuti zvakasimba
zvakafanira zvinoenderana nekusimba kwazvo

Saka zvokudya zvokuzvirimwa, zvakaita sezvekutsanga dzisina kusvuurwa (mugaiwa,


brown rice etc) michero yakawandisa, uyewo nemirivo yakawanda, todyawo mapotato,
michero, nzungu, bhinzi ....zvose izvozvi zvinotibatsira
Ngatisadye tave kuda kurara asi zvokudya zvizhinji ngazviwanikwe panguva dzamangwanani

Exercise (kuzvisimbisa)

Panenzira mbiri dzekuzvisimbisa....

 nzira yekutanga inoita tifemereke asi haikudzi nyama,

 yechipiri inoita kuti nyama dzikure asi atifemereke (gymnastics)

♻nzira yatinokurudzira inotibatsira pakudzikisa muwiri ndiyoi inoita kuti tifemeruke yakaita sekufamba
cycling, kana kutuwina etc

zvakakosha kutsvaka nguva imwechete yakafanana, (time table) yaunozongoramba uchitevedzera kuti
pfungwa dzizvigadzirire uye kuti ugove nekuvimbika panguva yako

Chimwe chakakosha pakudzikisa kwedu muwiri, zvakakosha kugara neshamwari, hama kana vanhuwo
vanotimutsidzira mukudzikisa muwiri, zvinonetsa kudya zvineutano idzo hama dzako dzikudya zvisina
utano

Dzimwenguvawo pane zvinhu zvakawanda zvinogona kuda kuti tidye zvakawandisa zvakaita se
kutambudzwa semwana , kuramba nekurambwa, kana kusabudirira pama basa, kufirwa nezvinhu
zvakawanda zvinonetsa pfungwa ....kana kutambudzika mupfungwa zvakuita kuti tide kudya
zvakanyanya ngatitsvake zvinotifadza, vanhu vanotipa mazano anovaka ( counselling )

kokana ndisina kusimbisa, muviri wangu wakanaka uneutano?


Chiwawo munhu anokurudzira vanhu varikuda kudzikisa muwiri exercise navo, idya zvineutano navo,
tamba navo, pakunamata navo.....shandawo kuti ivo vawane utano wakanaka....zvinhu zvaungabatsire
nazvo zvakawanda...varatidze rudo rwaJesu...

Rangarira sarudzo iyi inoita seinonetsa....danho iri rinoda kuzvishingisa

Jesu anehanya newe, anerudo

John 10 vs. 10

Mbava inongovuva, kuti I've nokuvuraya nokuparadza. Ini ndakavuya, kuti ave
novupenyu, vuye ave nohwakawanda.
Isu tichizama kudzidzisa muwiri kuti tichengete utano hwedu ...Jesu wakatifira kuti tiwane utano
hwakanaka uye upenyu usingaperi

Kushaiwa simba pakuzvidzora pamadyiro edu zvakatiunzirwa urwere uhwakawanda, asi Jesu anotipa
Simba rekubvisa kuita uku kwakuita sekunge kurimuropa, zvakunetsa kuregera zvinhu zvirikutiuraisa.
Simba riripo rekusiya madyiro asiwo, usimbe pa exercise neimwe mitemo yose yeutano....patinenge
tichiita zvose ngatiitei tichikumbira simba rokugona nekuramba tichiita zvineutano.

Ndatenda.

Kana muchida kunzwa zvizere munogona kutibata panumber idzi:

+263784907120

+263779128645

+263776958589

You might also like