Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 4

*Asthma* (muChishona -asima)

chimwe chezvirwere zvinovhara pombi inofambisa mweya wekufema. Chirwere ichi chinouya
mbichana mbichana uye chikasaonekwa zvakanaka chinogona kuuraya .

Baba vaAmai vangu vakafa neAsthma. Asi dai nguva iyoyo ndaiziva zvandavekuziva izvozvo
vanogona kunge dai vakaponeseka. Vakafa varimunzira kuenda kuchipatara .

Chirwere ichi chakakonzera kuungana kwegararwa pahuro pavo nemuchipfuva. Izvi


zvaikonzera kurwadziwa pachipfuva kunyanya munguva yechando .

Sekuru vangu vaiva murimi uye vaive nemombe zhinji dzomukaka . Vaigara vachinwa tea
makuseni nemazuvarodoka. Tsika iyi vakange vaijairira kubva pamazuva avaishandira
murungu semubiki.

Dambudziko nderokuti kunze kwekushandisa mvura kugadzira tea yavo vaishandisa mukaka. Tea iyi
yainaka chose zvekuti taiiti tea hobvu. mukusaziva kwangu izvi ndizvo zvaikonzera kubatwa
neAsthma kakawanda wanda kwaiitika kwavari .

Ndasangana nevanhu vazhinji vane chirwere ichi vanoshanda mumigodhi nedzimwe


nzvimbo dzimwe guruva rakawanda. Mutsvakiridzo dzango ndakaona kuti vanhu ava vanopiwa
750ml dzemukaka wekunwa zuva roga roga kuti vabetsereke paguruva ravanenge vafema.

MuZimbabwe tavekuda kupinda munguva yechando , uye chinhu chinonyanya kunwiwa


kupfuvura zvinhu zvose ikapu yeCoffee kana milo yakaiswa mukaka neshuga zvakawanda
chose . Kashomanini kanowanikwa munhu achinwa mvura nekuda kwechando.

~Zvese izvi zvinoisa munhu panjodzi yekudzimbirwa neAsthma ~ uye kumbunyikidzika


pachipfuva munguva iyi yekutonhora.

ZVINHU ZVINOKONZERA ASTHMA.

1️⃣ Kudya kwakawanda zvikafu (overeating) zvinokurudzira kugadzira kwedzihwa,

2️⃣ Hutachiwana

3️⃣ kuputa

4️⃣ kufema mhepo isina kuchena

5️⃣ mweya wekufema wakazarazvinokachidza

6️⃣ mweya wekufema urikunyanya kutonhora

7️⃣ Kutsamwa kana kufara zvakanyanyisa

~*Asthma*~ yakaonekwa kuti inogona kutorwa nemwana kana vabereki vainayo. Kutya
nekunyanya kufunga kunowedzera urwere uhwu.

Kune mhando dzeAsthma zhinji, asi nhasi tichakurukura zvinhu zvinonzwisika manhingi
zvechirwere ichi.

TINOGONA KUNZWISISA ASTHMA NENZIRA IDZI


tine matambudziko matatu atiri kusangana nawo apa:

1️⃣ Kuungana kwakanyanya *kwamadzihwa* muhuro, zvichinyanya kukonzerwa nezvidyiwa


zvinokurudzira kugadzirwa kwedzihwa iri iye neimwe mishonga inovhiringa muviri.

2️⃣ *Kukuvara* kana kuzvimba kwemukati mepombi inofambisa mweya wekufema.

3️⃣ *Kuomarara* kwenyama dzakakomberedza pombi yemweya pahuro zvichikonzerwa nezvinhu


zvinenge zvavhiringidza nyama idzi zvinogona kuva mishonga.

Mhedzisiro yezvose izvo kutadza kufamba kwemweya zvakanaka pahuro.

Muenzaniso ndewekuti kana munhu abatwa ~*neAsthma*~ anenge otadza kufema kuti atore
mweya kunze . Izvi zvinogona kurwadza.

90% yevanhu vane ~*Asthma*~ vanowanzo kufema vachishandisa muromo ,


izvi zvinowedzera njodzi yekupinda kweguruva, tsvina iri mumhepo, neumwe utachiwana
hwemumhepo mumukananwa nepahuro zvichizoenda kumapapu. Uye mhepo inotonhora
nezvimwe zvinotokonya Asthma zvinobva zvasvika kumapapu.

*Mikaka inopihwa vana vacheche ine mukaka wemombe* yakaonekwa ichikonzeresa


~*asthma muvana vadiki*~ zvakanyanya. *Mishonga yemarwadzo* ikapihwa mwana achiri mudiki
mumakore maviri ekutanga yakaonekwa kuti inokonzera ~*Asthma, kudziya muviri(fever), nezvimwe
zvirwere zvinokanganisa mafemero*~ .

KUKURANGARIDZAI TAKURUKURA ZVINOKONZERA ASTHMA:

utachiwana

zvinotokonya muviri(allergies)

kusvibisa mhepo

zvinokachidza

Mweya wekufema unotonhora

Kufara kana kutsamwa zvakanyanya

Kutya

Kufungisisa/kusagadzikana

nzira dzekurapa

❌zvinhu zvataurwa zvinokonzeresa kana kuwedzera Asthma zvinofanirwa kudzivirirwa.

Uyezve *nemukaka* nezvinogadzirwa kubva kwauri

KUNE ZVINHU ZVINOBETSERA PAKURAPA ~*ASTHMA*~ ZVATINOFANIRA KUZIVA NEKUNZWISISA

1️⃣ kuwedzera kunwa mvura


2️⃣ kudya zvikafu zvakwanda Vitamin C (lemons, oranges, guava, mawuyu)

3️⃣ Kuita mabasa anosimbisa muviri pane mhepo yekufema yakawanda..... Musatanga nekuita basa
rakaoma manhingi.

Mirivo iyo inobetsera zvakanyanya

4️⃣ Lemon grass tea

5️⃣ eucalyptus oil

*pfungwa yakakosha kuti tibate*

zvinogona kubetsera iwe kana umwe munhu ... ~*ndapota batai izvi
musazvikanganwa*~ ...Kubatwa neAsthma nemunhu zvinhu zvinoda kuti titsvage rubatsiro
nekuchimbidzika.

*VANHU VANE ~ASTHMA~ KANA VANOGARA NEVANAYO VANOZIVA IZVI*

Varwere ava vanofamba nemushonga wavo unovabetsera kana vabatwa nayo kwavanenge vari.

Mwari akatipa zvinhu zvinogona kubetsera munhu abatwa ~*neAsthma*~,

muto wemashiza emupuranga.(eucalyptus/gumtree oil)

Unoshandiswa sei.... Hongu unoiswa mukati mekagaba kekusprayer wopfapfaidza kana wabatwa
neAsthma izvi zvinobetsera nekuchimbidzika.

tingabetsera sei kana munhu abatwa neAsthma

: 1️⃣ Rara nedumbu kubetsera kubvisa dzihwa rinenge raungana mumapapu uye munhu
anofanirwa kukurudzirwa kuvhara muromo akarara.

2️⃣ Kurara panofura mhepo yakawanda kana muri mumba kuvhura mawindow nemadoor.

3️⃣ munhu anofanira kufema *zvakadzikama mbichana mbichana achishandisa dumbu* sevinoita
vana vadiki.

4️⃣ ~*Dzivirira*~ mhuka dzakafanana nekiti , uye guruva, mvere dzembwa, mapillow anezvi mvere
mvere nezvimwe zvingangivhiringa kufema.

5.Dzivirira kudyisa

: pakupedzisira

: 6️⃣ *Spinal pack* imwe chete inogona kubetsera munhu abatwa ~*neAsthma*~

CHII CHINONZI SPINAL PACK❓

torai tauro renyu rinopisa *(rangariri mumvura inopisa rikasvinwa kusvika risisachadonhe
mvura)* mobva mariisa mukati meplastic mofukidza netauro rakaoma

murwere wenyu anobva arara pariri achiita seanoritsamira kuti riwanikwe richienda pahuro
pake
kana muchinge murikuita izvi munguva yechando, fukidzai murwere uyu nezvinodziya, asi kana iri
nguva yekupisa munomufukidza asi kwete kuti azotsve

kana mune fan kanawo chimwe chekuunza mhepo inotonhorera, chiisei kumeso kwake kuti
afeme zvakanaka

murwere anofanira kuramba akarara kudai kwema minutes makumi matatu (30 minutes)

pedzisai nekumuita yatinoti sponge rub kana alcohol rub Uyezve nekumukwiza ne tauro muwiri
wose

For more information contact

0784 907 120

0779 128 645

0776 958 589

You might also like