Professional Documents
Culture Documents
Asthma (Asima) - Shona Version
Asthma (Asima) - Shona Version
chimwe chezvirwere zvinovhara pombi inofambisa mweya wekufema. Chirwere ichi chinouya
mbichana mbichana uye chikasaonekwa zvakanaka chinogona kuuraya .
Baba vaAmai vangu vakafa neAsthma. Asi dai nguva iyoyo ndaiziva zvandavekuziva izvozvo
vanogona kunge dai vakaponeseka. Vakafa varimunzira kuenda kuchipatara .
Sekuru vangu vaiva murimi uye vaive nemombe zhinji dzomukaka . Vaigara vachinwa tea
makuseni nemazuvarodoka. Tsika iyi vakange vaijairira kubva pamazuva avaishandira
murungu semubiki.
Dambudziko nderokuti kunze kwekushandisa mvura kugadzira tea yavo vaishandisa mukaka. Tea iyi
yainaka chose zvekuti taiiti tea hobvu. mukusaziva kwangu izvi ndizvo zvaikonzera kubatwa
neAsthma kakawanda wanda kwaiitika kwavari .
2️⃣ Hutachiwana
3️⃣ kuputa
~*Asthma*~ yakaonekwa kuti inogona kutorwa nemwana kana vabereki vainayo. Kutya
nekunyanya kufunga kunowedzera urwere uhwu.
Kune mhando dzeAsthma zhinji, asi nhasi tichakurukura zvinhu zvinonzwisika manhingi
zvechirwere ichi.
Muenzaniso ndewekuti kana munhu abatwa ~*neAsthma*~ anenge otadza kufema kuti atore
mweya kunze . Izvi zvinogona kurwadza.
utachiwana
zvinotokonya muviri(allergies)
kusvibisa mhepo
zvinokachidza
Kutya
Kufungisisa/kusagadzikana
nzira dzekurapa
3️⃣ Kuita mabasa anosimbisa muviri pane mhepo yekufema yakawanda..... Musatanga nekuita basa
rakaoma manhingi.
zvinogona kubetsera iwe kana umwe munhu ... ~*ndapota batai izvi
musazvikanganwa*~ ...Kubatwa neAsthma nemunhu zvinhu zvinoda kuti titsvage rubatsiro
nekuchimbidzika.
Varwere ava vanofamba nemushonga wavo unovabetsera kana vabatwa nayo kwavanenge vari.
Unoshandiswa sei.... Hongu unoiswa mukati mekagaba kekusprayer wopfapfaidza kana wabatwa
neAsthma izvi zvinobetsera nekuchimbidzika.
: 1️⃣ Rara nedumbu kubetsera kubvisa dzihwa rinenge raungana mumapapu uye munhu
anofanirwa kukurudzirwa kuvhara muromo akarara.
2️⃣ Kurara panofura mhepo yakawanda kana muri mumba kuvhura mawindow nemadoor.
3️⃣ munhu anofanira kufema *zvakadzikama mbichana mbichana achishandisa dumbu* sevinoita
vana vadiki.
4️⃣ ~*Dzivirira*~ mhuka dzakafanana nekiti , uye guruva, mvere dzembwa, mapillow anezvi mvere
mvere nezvimwe zvingangivhiringa kufema.
5.Dzivirira kudyisa
: pakupedzisira
: 6️⃣ *Spinal pack* imwe chete inogona kubetsera munhu abatwa ~*neAsthma*~
torai tauro renyu rinopisa *(rangariri mumvura inopisa rikasvinwa kusvika risisachadonhe
mvura)* mobva mariisa mukati meplastic mofukidza netauro rakaoma
murwere wenyu anobva arara pariri achiita seanoritsamira kuti riwanikwe richienda pahuro
pake
kana muchinge murikuita izvi munguva yechando, fukidzai murwere uyu nezvinodziya, asi kana iri
nguva yekupisa munomufukidza asi kwete kuti azotsve
kana mune fan kanawo chimwe chekuunza mhepo inotonhorera, chiisei kumeso kwake kuti
afeme zvakanaka
murwere anofanira kuramba akarara kudai kwema minutes makumi matatu (30 minutes)
pedzisai nekumuita yatinoti sponge rub kana alcohol rub Uyezve nekumukwiza ne tauro muwiri
wose