Mainini Melo PDF

You might also like

Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 156

MAININI MELO

CHAPTER 1

STORY BY M.M ..... .................................

Ndakange ndakuda kutonorara hangu sezvo dzainge dzave kuma past 9 dzemanheru. Ndichiri
ndakagara hngu kudaro pasofa ndakabva ndanzwa fon yangu ichirira. Ndakaivhomora pacharge payaive
iri ndichida kuona kuty ndiani ainge andifungawo hake, ndokuona ari Melody mwana wamai vangu
aifona. " Eh wanguda zviri cei, ko kubva matibata husiku kudaro kwakanaka here?" ndini uyo ndaidaira
fon hangu ndichida kunzwa kuty Melo aidei sezvo aive asingawanzo fona husiku. "Ndribhoo sisi Tale vari
cei bamkuru koko?" akabvunza Melo. " bamkuru vako bhoo varara zvavo vaneta nebasa",, ndakapindura.
Takazoramba tichitaura hedu kusvika Melo azondiudza kuty mama vainge vave ne 2 days vachitemwa
nemusoro. Ndakabva ndamuudza kuty ndaizokumbira baba Tadisa mari yekuty ndiuye kumusha wikend
yacho kuty ndizoona mama. Takazotaura hedu dzimwe nyanya ndokuitana magood night nemwana
wamai vangu uyu. Ndakazongo decider kuty baba Tadisa ndovaudza nezvekurwara kwamai kwachena
sezvo vaive varara kare ndaisada kuvamutsa.

Zita rangu ndinonzi Talent Makoni ndinobva kuHwedza ndiko kumusha kwedu kwandakakurira.
Takazvarwa tiri two inin nemunin'ina wangu Melody uyo aiita form 3 achigara kumusha namama. Baba
vangu vakashaika mugore ra 2005 nekuda kweaccident saka mai vangu vaive chirikadzi vachigara havo
pamusha naMelo. Baba vangu vakasiya vativakirawo musha wedu wataigara iwoyu paigara Melo
namama. Iniwo ndakangoti ndichipedza A level yangu ndakabva ndaroorwa naAndrew wangu
ndokutanga kugara hedu muHarare ku Glenora A.Murume wangu aishanda ku PSMAS mutown iniwo
ndaingovewo hangu mukadzi wepamba,, tisu vaye vainge vakangomirira kuty dady chakati chapera
mumba. Taivewo takaropafadzwa nemwana wedu musikana ainzi Tadisa aive nemakore maviri. Murume
wangu aive munhu hake asinganetsi kana kuita zvekurova zvandaiona zvichiitwa nevamwe ana baba
mudzimba umu... taigarisana zvakanaka chaizvo tichilodger hedu 4 rooms pamba pataigara. Taingove
maloger 2 chete ini namai Panashe vaivewo nemurume wavo musoja vailodgerwo 2 rooms. Landlord
vaigara nechekuseri kwavaigarawo nemhuri yavo.

Kumusha kunamai vangu ndaingoendawo pano neapo sezvo ndaitoita mari yekupihwa. Mari
ndaimbovatumirawo hangu apo neapo plus mai vaitambirawo penjeni yababa sezvo vaiva teacher saka
yechigayo vaisazoishaya. Melo ndini ndaimubhadharira fees yake nezvese zvekuchikoro nemari
yandaipiwa nemurume. Kuchikoro aisanyanyogona hake Melo zvekuty ndaitosimba kuudza mama kty
vamukurudzire kuverenga. Smart ndoyaive yake mwana wamai vangu haaa ipapo aive shasha hake apo
ainge akapiwa hake chiso chakanaka naNyadenga zvekuty ini ndaisatevera. Zvekupoda poda izvi
ndozvaive zvake zvekuty pese paaiwuya kuholiday kumba kwangu aitotenga make up kit yekunozora
kumusha. Ndaingotarisa hangu ko ndaigozvidii. Ndaimuda mwana wamai vangu uyu veduweee iyewo
ainditeerera sasisi vake.

Ndakazoudza baba Tadisa nezvekurwara kwamai vakanditi vaizondipa mari ndoenda wikend.
Ndakambotanga ndichinyimwa mari iya achiti aida kutumira mai vake mari. Ndopaunoona kty varume
vedu avo vakaoma,,, ini ndaimuudzawo kuty mama havasi kunzwa mushe ndoda kuvaona asi
aisatomboratidza hanya zvake. Ndakazongoramba ndichinyengerera zvikanzi ndozokupa woenda
wikend. Ndakazofara hangu ndichiziva kuty wikend ndaizonoona mama na Melo vandainge ndave
nemazuva ndisina kuona. Baba T akazogadzirira ndokuenda kubasa ini ndokusara ndichita basa rangu
repamba. Sezvo yaive Thursday ndaifanira kusiya mumba muine order sezvo wikend ndaizenge ndisipo.

CHAPTER 2

Sataday yakasvika ndokubva ndarongedza bag rangu rehembe dzangu nedzemwana. Sezvo baba Tadisa
vainge vasati vaane mota vakati vaizondiperekedza kunondisiya kwaMakoni ku Chitungwiza
kwandaizonokwirira kombie yekumusha. Takapfuura nemutown tichitenga grocery randaida kuenda
naro. Aiwa murume wangu akatenga grocery randakagutsikana naro,, zvakandishamisa coz dzimwe
nguva pandaienda kumusha ndaingotengerwa zvinhu zvishoma shoma asi musi uyu yooo akatenga hake
handidi kunyepa. Akazonondisiya pamakombi iye odzokera hake kumba sezvo yaive sataday aida
kumbonozorora sezvo aisanwa hwahwa. Kombie yakazosimuka yonange nzira yekumusha,,
ndakasanofonera Melo kuty andigarire paroad pandaizosiirwa nekombi sezvo ndaisazogona kutakura
zvinhu ndega nemwana kumusana plus bag. Kuma past 2 dzemaskati ndainge ndadonha kumusha
kwedu mubhuku masabhuku Ruocha. Ndakaona sisi Melo vakandigarira paroad zvavo paakandiona
akaita kundimhanyira mwana wamai vangu apo svisiketi svaainge akapfeka hayaaa ndakangoti inga
pakatoipa zvekurevesa,, zvidya zvese zvaive panze munhu kana kugaya hake. Takazomhoresana
ndokubva tabatsirana kutakura zvinhu tichienda kumba.

Ndakasvika mama vakagara havo pasi pemuMango waive pakati pechivanze chedu. Vakafara mai vangu
kuty ndauya asi vairatidza kty vakabatikana nemuviri plus vainge vaonda zvisingaiti. Zvakandirwadza
kuona mai vangu vari mucondition yakadai, ndakada kuburitsa musodzi ndakavatarisa asi ivo vaitove
busy kutamba naTadisa muzukuru wavo wavaive vaane tym vasina kuona. Ndakashamisika kuty musoro
ndowainge wavaonza kudai hre nekuty vainge vapera zvisingaiti. I loved my mother so much, she was
the only person wandaiudza nhunha dzangu dzese vachindisimbisa. Kunyangwe kuvengwa kwandainge
ndakaitwa namai va Andrew murume wangu vaikuziva asi vaingondishingisa vachiti i must respect her
saamwene chero zvodii. Ndaivada mai vangu nekuty vainge vakashingirira kutichengeta kubva zvakafa
baba kusvika ndapedza A level,, dai pasina kuty ndakazongomhanyirira kuroorwa hangu pandakapedza
vangadai vakatotsungirira kundiendesa kuuniversity nekty chishuwo chavo vaida kuty ndizoroorwa
ndapedza kuuniversity asi munongozivawo isu vana hatiite chaizvo zvinotarisirwa nevabereki. Ndaigara
ndichiudza mama kuti Mwari vakatungamirira ndichaenderera mberi nechikoro ndiri pamurume kudaro.
Semunhu ainge akaitawo zvima points zviri nani pa A level yangu ndaida kuenderera mberi nedzidzo
yangu to fullfil my mother's dream.

Ndakazotofonera baba T ndichimuudza kuty ndaizoita zvimazuva ndiri kumusha sezvo mai vainge
vakabatikana vakati ivo hapana chainge chakaipa. Ndaingopota ndichivapawo mapiritsi andainge ndabva
nawo kuHarare vachinwa asi muviri wavo waisataridza kuchinja zvinova zvaigarondidya moyo zuva
nezuva though havo vaindisimbisa kuty vanopora. Ndakatanga kuchengeta mama vangu uyuwo Melo
aiswera ari kuchikoro saka pamba ndaingoswera namama naTadisa. Vanhu vemuraini vaiuya kuzoonawo
murwere vekuchurch ku AFM vaiuya kuzoita munamato nguva nenguva. Baba T aifona evryday
achibvunza kuty zvaive cei ndichingomu updater. Rimwe zuva tichangoti rarei mama vakatanga
kugomera vachiti musoro wavo wainge wanyanya. Ndakashaya kuty zvino ndodii ndokubva ndamhanya
kwabamunini kunovaudza uyuwo Melo ainge aakungochema achivatova tova netauro nyoro mumusoro.
Ndakasvika kumba kwaana bamnin vanhu vaakuda kunorara ndokuvaudza nhau yaivepo kuty mai
vainge vaapanguva yakaoma. Takazopinda munzira takananga kumba kwedu tiri three inini mainin
nabamunin vaive munin'ina wababa ainge asara achiri mupenyu mumhuri mavo.

Takasvika pamba ndokupinda tikangowana mai vachigomera nemusoro. Ndainge ndochemawo


ndoshaya zvekuita kusvika Bamunin vafonera sahwira wava aive nemota aigara kuChigondo kumashops
kuti auye nemota atakure mama vaende kuhospital. Takazotakudzana mama tovaisa mumota
vasisagone kana kutaura chaiko. Ndakabva ndati handisare ndotoenda namama kuchipatara.. mainin
vakambonditi ndisare ivo voenda ini ndozomukira kuseni asi ndakaramba. vakazosara havo vakati
vaizomukira mangwanani nabamnini. Takazoenda namama ku Mount vakasvika vachipihwa mubedha
husiku ihwohwo. Ndainge ndangogara pazvibhenji panze ndichichema ndaisada kurasikirwa namai vangi
veduweee.. my mother was everything to me. Kwakachena ndakangogara paye manurse vachingoti
mvee mvvee kupinda nekubuda muward maive maiswa mama. ndakapinda makuseni kuty ndinovaona
asi ndakaona vakangokotsira doctor akanditi vaive vavabaya injection rekuty vambozorora.. saka
zvaitoreva kuti ndaitozovaona masikati vamuka. Mainini nabamnin vakazouya kuma8 dzekuseni
nechikafu nehembe dzangu dzekuchinja dzavainge vapihwa naMelo. Baba T ndakavazivisa nedzimwe
hama dzamama mamirire ainge akaita zvinhu. Baba Tadisa vakazonditumira mari vachiti nditenge
mushonga nekubhadhara mahospital bills vakati vaizokumbira off vouya kuzoona mai. Vana bamunin
vakazongoti regai vamirire visit yemasikati vozoenda kumba,, saka takazogara hedu tochimirira kuti 1
dzichaye. Takatenga mafruits ekunopa murwere ndokuzopinda muward maive namama sezvo visiting
hour yainge yasvika.

Mama vainge vakavhura havo maziso asi vairatidza kuneta chaizvo pabed pavainge vakarara. Takada
kuvataudza asi vaisagona kutaura zvekuti ndakambofunga kuti asi mai vangu vastroker. Kudya vaisada
ndakambozama asi zvakakona. Ndakanobvunza doctor akati vaizotaura havo apa vainge vachiri
weak.Zvakandirwada nekuti ndaida kutaura namai vangu,, Melo akazofona ndikamuudza kuti aizouya
magwana pavisit yamasikati. Ana bamunini vakazodzokera kumba vakati magwana acho Melo ndiye
aizouya ivo vosara naTadisa sezvo zvaisaita kuuya nemwana.

Ndakazokumbira doctor kuty ndirare muward room yaive namama akamboda kuramba asi m

ndakazoita kudetembera chaiko kuti abvume kusvika azobvuma. Ndakarara husiku hwese ndakasvinura
ndichiti pada mama vachandideedza zita asi havana kana vainge vari zii. Ndakangofunga kuti pada
mainjection aivanetesa kudaro. Melo akazouya makuseni ndokubva ndamuti amirire tipinde muvisiting
hour ya 10. Iye ainge atorovha kuchikoro achida kuona mama, ndakaona kuty munin'ina wangu
zvaimushungurudza zvehurwere hwamama. Iniwo ndainge ndasuwa mwana wangu Tadisa ndainge
ndaane 2 days ndisina kumuona kubva zvandakauya kuchipatara. Nyangwe hake aisanetsa but ndainge
ndomufunga mwana wangu. Hama dzamama dzakafona dzichiti dzaizosvika mangwana acho,, zvimwe
chete nababa Tadisa ainge ati aisvika mangwana acho sezvo ainge akumbira off kubasa.

10 dzakachaya ndokubva tapinda kuty tinoona mama. Tichingopinda mama vainge vakasvinura vainge
vachiratidza kuve nani. vakakabva vangoti Talent! Melody! Tese takabva taenda padhuze navo,,
ndakanyemwerera nekuti ndainge ndazoona kuti mai vangu vainge vakukwanisawo kutaura zvinova
zvairatidza improvement.Takaswedera padhuze nebed yavainge vakarara ndokubva vabata ruoko
rwaMelo ndokutora rangu ndokuisa pamusoro pera Melo ivo ndokuisa ravo pamusoro perangu
ndokutanga kutaura,,," I love you girls, you are both my pride and joy. I will always remember you
wherever you are. Talent uchengete mwana uyu nemoyo wako wese ndiwe mukuru, mutsuure kana
achinge akanganisa musarovane nyangwe mukatsamwisana sei. Iwe Melody uteerere Talent umupe
respect nekuty ndiye mai vako vamangwana. Ndapota girls itai sevana vemunhu mumwe
muchengetane". Ndainge ndatova confused kuty ko mama vari kuzvitaurirei ini. Tainge tangotarisana
naMelo tichitadza kunzwisisa kuty ko zvinhu zvacho zviri kumbofamba sei. I love u my daughter God
ble.... havana kuzopedza ndakanzwa mama vaakundiregedza pavainge vakabata mbichani mbichani.
Ndakavatarisa kuface kwavo ndokubva vango smiler ndokubva vavhara maziso avo zvinyororo nyoro
ndiye sarei..... Ndiko kufa kwakaita mai vedu tisina kana kumbo vaonekawo sezvavakatiita........

CHAPTER 3

Rufu rwamai vangu rwakandisiya moyo wave mamvemve ndisisazive zvekuita. Dai zvainzi musodzi
inopera nekuchema yangu ingadai yakapera. Mama vakatisiya tisina kuzvitarisira zvekuti ndaiti
ndikafunga kuti mai hakusisina hana yangu yairova zvakanyanya. Hama dzavo dzakanyanyoshamisika
nerufu urwu nekuti vazhinji vainge vari murwendo rwekuuya kuzovaona. Ndakazofonera baba Tadisa
ndichivaudza kuty Mai hakusisina zvikamutyisawo nekuty ainge atombotaura neni kuseni kwacho achiti
aiuya mangwana kuzovaona. Ndakazofonera ana baminini kumba ndichivaudza nezvekufa kwamama
vakashamisika zvikuru. Vakati vaizouya nemota yaSahwira wavo kuzotakura chitunha. Kana ari saMelo
ainge atombofenda manurse akapinda busy nekuty ainge abatwa neshock. Iniwo semunhu mukuru
ndaingozvishingisa but ndaiti ndikangofunga kuti mama hakusisina ndaibva ndanzwa kupera simba zvese
nemweya. Pakafa baba vangu ndainge ndichiri mudiki saka rufu rwavo haruna kunyanya kundibata asi
zuva rakafa mai iri ndakanyatsonzwa kuty ndabaiwa panyama nhete kuya kunonzi kutemwa
nerakagomara chaiko.

Ndakazozivisa vanhu vakawanda vekumusha kwamama vamwe vaitoti vainge vowira munzira kuuya
vamwe vaiti vaizouya magwana acho kubva kwaRusape kumusha kwamama. Vabereki vavo vainge
vakafa kwangosara madzikoma avo four ehanzvadzi nhatu. Bamunin vakazouya nasahwira wavo
wekumbotakura mhamha nemota vachirwara ndokutakura munhu wedu todzokera kwaRuocha.
Takasvika pamba patozara vanhu nevamwe vechurch vainge vatosvika vaiimba nziyo dzaienderana
nesituation yaivepo. Melo ainge achingochema ndichizama kumunyararidzawo semunhu mukuru asi
painge pakaoma hamawee. Baba Tadi vakati vaizosvika manheru necoffin nechikafu chekuzodya
panhamo. Vainge vaenda mai vangu chokwadi ndiani wandaizoudzawo nhunha dzangu. Ndaive
nezvizhinji zvandaishuvira kuvaitira vachiri vapenyu asi Mwari vainge vaita kuda kwavo. Tainge tave
complete nherera chaidzo. Baba Tadi vakazosvika kuma 9 dzemanheru ndokubata maoko vanhu vaivepo
nekumira mirawo semukuwasha. Ndaifunga kuty ndichaona ana tete vangu vaigara muHarare vaive
hanzvadzi dzababa T vachiuya asi hapana kana mumwe akauya. Mai Fadzie naMai Prince vaive hanzvadzi
dzababa T vachigara muHarare munova mavaive mateacher. Vamwe tete vaigara kumusha naamwene
sezvo vainge vakafirwa nemurume. Handina kuda kubvunza baba T pandakamuona achiuya neshamwari
dzake dzekubasa ndakangoti pamwe vanhu vachauya mangwana havo vanyatsogadzirira.

Vanhu vakarara vachiimba nziyo dzechurch vari panze. Ini kana manheru acho handina kana kukwanisa
kudya kana chinhu nekuda kweshungu. Zviye zvekudya parufu kunge unopenga kana kurara uchitamba
ngoma unenge usiri iwe wafirwa. Ini ndakazviona ini pakafa mai vangu.. handina kana kudya chinhu
zvimwechete naMelo. Ndakarara ndakagara paside pechitunha chamai vangu ndichichema. Mwana
wangu ainge ongochema nekuda kwemisodzi yaibuda mumaziso angu kusvika azonyengererwa nadady
vake ndokuzonyarara kwaakaita.

Mangwana acho vanhu vakafumo uya kurufu kunyanya vemuraini ndovainge vakawanda. Hama zhinji
dzamama dzakauya asi chakandishamisa kudivi revekumusha kwemurume wangu kwakangouya tete
mai Ezra vaigara kumusha kwana baba T vanova vaigara naamwene. kumusha. Ndaitarisirawo kuti
amwene vangu vange varipo vachichema severe/amukurungai vavo asi handina kuvaona.Ndakangoti
pamwe vachasvika maskati before burial.
Zviye zvekunzi hee vanhu havauye kudzindufu kwemunhu wavasingazive kunyepa kuye,, senge kana
vanhu vachitoziva kuti mombe yatunga muti havo vanotouya chete raini rose.Parufu pamama vangu
paive nevanhu vakawanda vamwe vandaisatozivawo ini. Bamnin vainge vaprovider nemombe plus
vakuwasha vaka contributer vakatenga mbudzi mbiri saka nyama yaivepo.. ende munongozivawo kuty
nyama nevanhu zvowirirana. Nguva dzakafamba pakazoitwa body viewing then body ndokuzotakurwa
yoenda kuguva. Vamwene vangu havana kuuya asi tete mai Ezra vainge vandiudza kuty vainge
vachizviziva kuty kune rufu... ndakangoti hameno mwari ndovanoziva. Avawo ana tete mai Fadzie natete
mai Prince vaiveko vari zii kuHarare koko kana chinofonawo kuti nematambudziko hapana. Ndakangoti
ndohupenyu ko ungavadii yakarehwa nababa tencen kuty ungandiii?

Paguva pakazoparidzwa ndokubva ndanzi nditaure ndikataurawo zvandakakwanisa zvishoma semunhu


aisanyatsoziva kuty ndeapi mashoko anonyatsotaurwa kubhabhaisa mufi. ko ndaimbove mukuru hre
ndaingove ne 22 years kwaingove kumhanyirira dzimba. Ndakatarisa varume vaikanda ivhu
nemafoshoro vachifusira coffin musodzi yangu ikayerera. ndokwaive kuonekana namai vangu uku.
vainge vazorora havo nhamo yasarira isu vepanyika.

Vanhu vakazodya havo sadza vemumaraini ndokudzokera kudzimba dzavo ndokusara vehukama chete.
Pakazorongwa kuty vanhu vaizogova hembe mangwana acho nemimwe mudziyo kuitira chirango asi
zvimwe zvinana maplates nezvimwe takanzi tisare nazvo inini na Melo.

Vanhu vakazogova zvinhu mangwana acho ndokuparara voenda. Ana sekuru hanzvadzi dzamai
vakanditi kana pane chinenge chanetsa takasununguka kuvafonera tichizivisa.. zvimwechete nana
maiguru vedu vakoma vamama vakati tainge takasununguka kuvafonera kana pane zvinenge zvanetsa.
Chakandishamisa pavanhu vese hapana kana mumwe chete kuhama dzamai kana dzababa
akambofungawo kuti mai vedu zvavafa ndiani achachengeta Melody,, vakangozvitsika tsika ndipo
pandakatanga kufunga zvainge zvataura mama kuti " uchengete mwana uyu ndiwe uchava mai vake
vamangwana",,, ndakabva ndatoona kuty ndini ndaitofanira kuchengeta munin'ina wangu. Vanhu
vakazoronga date renyaradzo vakati yaizoitwa musi wa 10 August paholiday ye Heros munhu wese ari
free,, ndokuparara vanonanga kudzimota dzavo vachienda vanonanga kumakombi vachienda, sare
tangova ini nemuni'ina wangu nevamwe vakadzi vemuraini vaisuka mapoto ainge ashandiswa parufu.

Ndakazoronga nababa Tadisa kuti sezvo maive muna March ndaifanira kugara kumusha kusvika Melody
avhara chikoro then ndozouya naye kana avhara sezvo ndainge ndaakutofanira kugara naye achidzidza
kuharare. Baba T nevamwe vekubasa vakazofanotungamira sare ini naTadi wangu naMelo tichimirira
kuty zvikoro zvivharwe sezvo painge pangosara two weeks kuti vavhare.....
CHAPTER 4

Takazogara two weeks tiri kumusha kusvikira zvikoro zvavharwa ndokuzonotorera Melo transfer
kuchikoro kwavo. Takarongedza mabag edu toenda ku Harare kumba kwangu. Takasvika kumapast six
manheru sezvo tainge tanonoka kusimuka kubva kumusha..takawana baba Tadisa vasanobika sadza
sezvo vainge vagara vachiziva kuti taiuya.Takapinda mumba ndokumhoresana hedu baba T
vachitibvunza zvehupenyu hwekumusha" Hesi mukadzi wauya kuzondibikira zvamuchose ka haa rwendo
rwuno ndinosimba ndikaputika kubikirwa nevakadzi two",, vakadaro baba T vachitaura na Melo
vachiwanzirana havo,,,ko vaive varamu zve pane chainge chakaipa here. "Haa ndauya ndese bamkuru
ndichabika zvese zvamunoda pano dont wry" akadaro Melo achisekerera bamkuru vake.
Ndakazonopakura sadza mukitchen ndokudya hedu tichitaura nyaya. sezvo tailodger 4 rooms
hazvainetsa imwe room ndoyaizoita yaMelo yekurara. Pandakapedza kudya ndakasiya Melo achisuka
maplates ndokumbonomhoresa hangu mai Panashe vailodger pamba pamwechete neni.
Ndakazonomhoresawo mother lendaz kumba kwavo vakabva vandibata maoko vachiti vaive nehurombo
nekufa kwamai vangu,, vakati vainge vaenda kuTanzania kunohodha hembe dzekutengesa zvekuti dai
vaivepo vaidai vakauya kumusha kuzochemawo mai vangu. Ndakanyatsoona kurevesa mukutaura kwavo
ndikaona kuty muhupenyu kune vanhu vane rudo mufunge vasiri hama dzedu unlike amwene vangu
vakatadza kana kuuya kuzobata maoko kana kufona havo kuti nedzenhamo. Zvakaoma!!!

Ndakazodzokera mumba mangu ndokutoona Melo apedza kusuka achiona bhora reReal Madrid ne
Asernal nababa Tadisa.,, ndakaseka hangu ndikati unoona soccer seunoinzwisisa zvikanzi ndiri kuita
ndichiudzirwa na bamkuru ndakutonzwisisa. Ndakazonomuratidza yaizova room yake ndokunorara
naTadisa wangu iye akati aida kumbovaraidza nguva achiona bhora ndikati hapana kushata tobatana
ndokumusiya hangu aina baba Tadisa musitting room.

Taigarisana zvakanaka kubva zvakauya Melo pamba zvekuti vanhu vese vepamba yainge yangove
mainini Melo ndozita ravaingodaidzwa nana mai panashe nevana valandlord. kana mother lendaz
vaitongotiwo mainin Melo zvinova zvandakatozopedzisira ndajaira. Ana Tadisawo nekusagona
kunyatsotaura vaingewo vaakutodaidzirawo manini Melo kkkk zvatove funny. Melo ainge akangwara
zvekuti haana kumbotana kujairana nevanhu vepamba pataigara. Baba Tadisa vaiwirina na Melo zvekuti
smetimes vaimbodzidzisana kutamba magames palaptop hameno imwe yavaimbodzidzisana yainzi
Eurotrucks zvekuti Holiday yaApril yakasvika pakupera mainin Melo vachiti vakapedza basa vogarira
Eurotrucks... ndaigaromuseka hangu kuti why achida zvigame zvevarume izvi.

Holiday yakazopera ndokubva ndanotsvagira mainin nzvimbo ku Highfield 1 high.. haina kunetsa hayo
sezvo aive netransfer latter plus aida zvimbo yeform 3 saka zvaive nyore. Tainge takuswera pamba
naTadisa wangu zvekare vamwe taitozovaona manheru. Ana tete vakazouya kuzobata maoko kuvhara
nyadzi zvikanzi taive busy nebasa munongozivawo basa rehuticha iri kuschemer ndikati aiwa hapana
kuipa vana tete

Mainini semunhu aiona vamwe vakapfeka twumini nematrouse moyo wakatsva mwana wamai vangu
akati ndingasarire paHarare.. dressing yakatanga kuchinja zvekuti dzimwe nguva ndaitozotsuura kuti iiih
iyo bvisai mainini manyanya. Nekuda zvinhu munin'ina wangu ndaitoziva kuti ndikasatsuura aitozofamba
akashama. Chainge chobatirwa pamusoro sebasket chirungu chiya chaaishuwira ari kwaRuocha. Make
up yainge yoitwa zvekwamberi. Sunday taienda kuchurch kwedu ku AFM muGlenora momu,,,sisi
vaipoda zvekuenda nekudzoka zvekuti ndagaromuti uchashaya mabrother nazvo izvi zvekuisa macolour
hobho hobho kumeso. Aiita iye yakarehwa napastor vekuZAOGA kunzi munhu unoisa macolour 17
kumeso.. colour yetsiye, colour yemuromo nezvimwe zvinenge zvakangozorwa makasiyana siyana.
Ndoyaiitwa namainin Melo yoyo.

Kuchikoro uku aisamboita pressure nako hake mwana wamai vangu ndaigaro mutsiiura kuty muitiro
wake uyu ndaisaufarira. Nabamkuru vake zvaiwirira zvekuti bhee ko ndaingoti ka ndimaini nabamkuru
hazviteedzerwe. Rimwe zuva akabva kuchikoro ndokupinda muroom make zvikanzi ndiri kuda kumboita
homework. Ndakaseka hangu nekuti aisawanzofarira zvemabook izvi. Ndakatofarawo kuty iiih dai
zvikaramba zvakadaro. Baba T ainge asati auya so ndakaenda hangu mukitchen ndokutanga kubika
sezvo mainin vaive busy nehomework.

Hameno chakangondipa kumbonodongorera kuty mainin vari kuita homework yei sezvo ndaizivawo
mbichani semunhu akapfuurawo neko. Ndichisvika padoor ndakanzwa munhu achitaura pafon but
aitarisira pasi pasi hapana chandainzwa. Ndakatozviziva kuti anenge mukomana aifonerwa nekuti mainin
vaitove member inokwikwidza saka hazvaishamisa. Ndakabva ndaita kudongorera nepakagwanza
kedoor ndokuona shasha yakabata picture yairatidza kuti ndeyemuface achiisekerera omboipuruzira
ndikati hokoyo!!,,, ndakatoshaya kuti ko ndohomework yacho iyoyi� Ndakabva ndangoti pindikiti
ndichida kudongorerawo papik riya kuti ndionewo ka svibamunini svaisekererwa. Pandakapinda mwana
akaita kurohwa nehana zvandakaona ndega kuti munhu avhunduka. Akabva aviga pik riye pasi pepilo
kuty ndisaone ndokubva airarira kuti ndisatomboigume zvamuchose. Handina kuda kuramba
ndichibvutidzana naye pillow yacho, ndaiziva hangu kuty ndichavaona bamnin vacho vaivigwa kudaro.
Baba T vakazouya ndokubva ndabuda muroom make uku shasha yainge yakango hwandisa pillow kuty
ndisatomboigume.

Rimwe zuva ndakaenda kuchurch iri Sataday sezvo kwaive nemusangano wemadzimai ndokusiya mainin
vaina Tadisa pamwechete nababa Tadisa sezvo vaisaenda kubasa nekuti yaivw wikend. Takanoita
musangano wedu zvakanaka ndokunamata ndokudzokera kumba ndikatowana mainin vapedza kubika
vakatogara havo vachiona muvie. Ndakabva ndabuda panze kuty ndinochera mvura patap Tadisa
achibva kanditeera kachimhanya." Chiiko Tadisa ukunditeera hausi kuona kuty kwasviba here enda
mumba muna mainini umo!" ndakadaro ndichida kuti aende mumba. Akabva aramba akamira
achingoseka. "Ukusekei nhai Tadi mwanangu?" ndakabvunza ndaona kamwana kangu kachisekerera.
"ndikakuudzai mondipa mashwit hantka mama?" akadaro ndokubva ndati ehe. Ndakabva ndakotamira
kuti andiudze munzeve zvikanzi" manini anga achiramba kuti ndibate kaka yavo asi dady anga achibata
ndavaudza kuty da udza mama zvikanzi ndokuyova neshamhu hombe manje ndakuudza mama
usazoudze manini ndoyohwa neshamhu hombe. Ndakambostiker ndakadaro asi ndaiziva kuti mwana
wangu aitaura chokwadi nekuti ainge akakasika kugona kutaura aine 2 years 6 months saka
ndakanyatsoona kuty ainge awona yaiitika saka aitofunga kuti pada igame hake. Ndakazopinda mumba
ndadhiniwa ne dotcom randainge ndaudzwa naTadisa iri........

CHAPTER 5

Ndakapinda mumba ndakaneta neta ndichizeya mashoko ainge ataurwa na Tadisa. Melo ndaimuda
munin'ina wangu zvekuti ndaisada kumufungira twakaipa,,Ndakangoti regai ndisiyane nazvo kana paine
zvinenge zviripo ndaizozvibata ndega mbune. Iyewo chakandinetsa haana kana kumbo complainer kuti
bamkuru vange vachindibata bat ainge atori zii hake achitaridza kuti evrything is fine. Kutaura chokwadi
kahunhu kainge kotangwa nemurume wangu aka ndaisakafarira hangu ndozvinhu zvandaisada hangu
zvekutamba vanhu vachiita zvisina basa.

Mainin vainge vasisabve pafon ndaigaro vatsuura kuti vasiyane nezve whats app izvi asi iiih
ndaisamugona mwana wevaridzi ndainge ndongotarisa hangu. Kuchikoro kwavo aikumuka na 4 asi
aigona kusvika kumba kuma past 6 achiti ndandichiita madiscussions nevamwe. Ndakatanga kutoona
kuchinja pamwana wamai vangu kuti ainge oda kupanduka nenguva diki diki,,, ndaimbotsuura hangu asi
iiih ndaitoona kuti zvaipinda neimwe nzeve zvichibuda neimwe nzeve. Baba Tadisa akatangawo
kunonoka kubva kubasa zvandaisanzwisisa saka ndaitove nestress dzevanhu vaviri hangu.
Ndaigarodemba hangu kuti dai mai vangu varipo dai Melo ari kwaRuocha hake asina kuchinjwa hunhu
nedhorobha nekuti ndaitya kuzonyadziswa mangwana. Rimwe zuva ndaitotandara hangu mamai
Panashe vaigara pamba pedu,, ndakanzwa vaakuti "iiih mai Tadisa ende matambiro anoita mainin nabab
Tadisa uva tsuure ndinovanzwa hangu dzimwe nguva vachiita chikudo mumba umu usipo" ,,, vakataura
havo mukuseka asi handina kufarira zvandainge ndanzwa izvi ndainge ndisingadi kufungira Melo
zvakaipa hangu saka ndakabva ndatodzima nyaya iyi ndokuti " ko zvevaramu ungazvipedze here kkkk
zvakaoma",,,, ndakabva ndatoshandura nyaya hangu ndaakutaurawo zvimwe.
Ndakazopinda mumba ndokumborara ndichidzeya mashoko amai Panashe nekuti chaindishamisa
ndechekuti kana ndiripo mainin vaiita sevanonyara baba Tadisa kana kugara pasame sofa chairo navo
vaisagara navo. Chainge chondinetsa ndechekuti pamwe baba Melo vaimbunyikidza munin'ina wangu
kana ndisipo saka ndaitovagaira hangu kuti ndovatsuura sei. Ndakazomuka atove masikati ndaakuda
kumbonotarisa novel rekuverenga mumba mamainini Melo sezvo ndaitsvaga chekuvaraidza nguva
nacho. Ndakatsvaga novel ndikashaya paigara mabooks avo kusvika ndati regai ndivhure mumonarch
ravo rimwe ravaichengetera matxt book nemamwe mabook avaisashandisa. Ndakatanga
kuvhendenyura mabuk aye 1 by 1 ndichitsvaga asi hapana kana novel randakaona. Pandainge ndaakuda
kuvhara monarch iye ndopandakaona rimwe novel rainge rakanzi _Double Trouble_,, ndakaritora
ndichiti ndiverenga ndopandakanzwa kudonha kwechinhu pasi chairatidza kuti chaive chadonha kubva
mubook riye. Ndakatarisa pasi kudai asi zvandakaona zvakandipedza simba kusara ndaita kuneta
chaiko....

Aive mafamily planning pills ainge adonha,,, ainge akatonwiwa first line yese yainge yakatopera.
Ndakashaya kuti ko mapiritsi aya aitsvagei umu nekuti angu andainwa ini ndaimachengetera
mubedroom mangu saka aya ndakatadza kuziva kuty ko mainin vaimadii plus aive mapiritsi ekuronga
mhuri saka ndaishaya kuti imhuri ipi yainge yorongwa namainin apa. Ndakanyatsomatora
ndokumagadzika pamusoro pedressing table yaive mumba umu. Kana novel riye ndakazongoridzorera
mandainge ndaritora nekuti ndainge ndotofunga kuti saka mapiritsi aya zvaimbofamba sei... zvaireva
kuti Melo ainge orara nevakomana zera rake iri ari fom 3 achidzivirira pamuviri? Yaingove mubvunzo
yandaizvibvunza ndega hangu ndichishaya minduro... ndainge ndakamirira tsananguro kubva kwaari
mbune nekuti zera rake ndaitoshaya kuti ainge akamawanepo mapiritsi iwayo. Imwe pfungwa
yaindinetsa ndeyekuti ainge akazvitangira kuno here zvevarume izvi kana kuti aisizviita kumusha nekuti
kubva zvakashaika mama muna March painge pangove ne4 months chete ndatanga kugara naye saka
ndaitoshaya kuti mukomana upi aida kundiparadzira hupenyu hwemunin'ina wangu.

Shasha yakazouya hayo kumapast six kwati tsvaaa. "Iiih asikana nguva dzenyu idzi dzamakuuya
munenge muchiri kuchikoro here?",,,, ndakabvunza ndaona zvanyanya. "Yave nguva yema test sezvo
taamuna July kudai saka tinenge tichiita madisussions saka pakatoipa wena" akadaro hake mwana
wamai vangu achi piker step akananga muroom make. Ndakabva ndateverawo ndichida kunobvunza
nyaya yemapiritsi aye. Ndakapinda shasha yakamabata ichiratidza kushamisika. "Ko mapiritsi aya
unomadii nhai Melo plus wakamawanepi?" Ndakabvunza,,,, " Ndakangomaonawo mumba menyu
musipo ndanzwa nemusoro ndokubva ndanwa ini " ,,, akapindur hake achisunungura tambo dzebhutsu
dzake. Ndakabva ndatoonawo kuti zveshuwa hapana zvaizivikanwa ndokuzomuudza kuti aisava mapiritsi
emusoro ndikamuti ndaizomutarisira mapiritsi emusoro. Ndakatozozvishora kuti ndainge ndamhanya
bani kufungira munin'ina wangu zvisirizvo.
Baba Tadisa vakazouya pasina chinguva asi ndaisafara netime dzavo idzi nekuti kubasa vaipedza na half
4 asi vaisvika kumba kuma past six apo vaisanwa doro futi. Plus semunhu wandainge ndajaira kuti
anosvika kumba kwakachena kahunhu kavo kainge kondifizura nekuti kubva kutown kuuya ku Glenora
kwataigara zvaisambotora kana2 hours dzese. Ndaisataura hangu ndaiita sendisiri kuzviona.Fon yavo
yainge yogara nema password nemapattern mamwe asinganzwisisike. Ndakangoti nechemumoyo regai
ndinyatsopfavirira ndinyatsoteya shiri yangu bho bhoo inobatika chete.......

CHAPTER 6

Melo ainge ongohwanda nemadiscussions achinonoka kuuya kumba. Ndakatoona kuti muromo
ungaende paside nekutsiura zvimwechetezvo nababa Tadisa vainge voita makwikwi namainin vavo. Avo
ndaisatsuura hangu ndaida kuti vaone vega kuti game yavaive vaakutamba iyi yaive isina kunaka.
Chaindishamisa nguva dzavo dzekusvika dzaisanyanyosiyana. Vaimbochinjana dzimwe nguva baba
Tadisa ndovaimbotanga kusvika mainin vopedzisira...zvichingodaro.Ndainge ndatojaira vanhu vangu ko
ndaigodii. Maexams avo akazotanga,,mafirst days aikasika kusvika kumba dzamara adzokera mustaira
yake yekunonoka. Dzimwe ndainzi tambenge tichidiscusser paper ratanyora nhasi dzimwe nguva zvonzi
ndamboenda nekuma friends.... ko ungazvirambe here sendinenge ndiripo? Ndaingobvuma hangu.

Rimwe zuva iri Sunday ndakamuka kugadzirira kuti tiende kuchurch,, kuchurch taiwanzoenda tese na
Melo aisasara asi zuva iri akati muviri wake wainge wakaneta saka aisada zvekuenda kuchurch. Ko
ungamanikidze here munhu kuenda kuchurch nhai,, ndakangomusiyawo akadaro ndokutakura mwana
wangu toenda. Avawo baba Tadisa zvekuenda kuchurch zvaive kure navo saka ndakangovasiya vakarara
mumba ndokuenda hangu. Musi uyu kuchurch kwaiparidzwa nyaya ye forgiveness, haaa shoko
rakaparidzwa hamawee,, Mufundisi vakataura zvakawanda pamusoro pekuregerera and i stil remember
imwe verse yavakaverengesa iri kuna Mathew chapter 18 verse 22 inoti _Then Peter came to Jesus and
said "Lord how often shall my brother sin against me and i forgive him?" up to seven times._
Vakazoenderera mberi mufundisi vachitaura nezveverse iyoyi zvekuti ndega ndakatsidza mumoyo kuti
nyangwe ndotadzirwa sei muhupenyu hwangu ndaisazoda kuchengeta chigumbu,,ndaida kuregerera.
Service yakazopera ndokubva tabuda panze ndaakumhoresana nemamwe madzimai ataipinda navo
kucell group.

"Hesi kani mai Tadisa ko wasiyepi mainin nhasi kuuya wega so?" Vakabvunza vamwe vainzi mai Mhofu
vaive mukadzi wacell leader wedu. "Ndiripo axana nhasi mainin vasara hanzi ndakaneta ndofunga
maexams avari kunyora mazuvano pamwe zviri kuvhara".. ndakapindura ndichikwzisa mai Mhofu
muruoko. Vakabva vatanga kutaura zvikanzi "haaa shuwa regai vazorore vana vechikoro ava
tichangonamata kuti zviitie." Takazotaura dzedu zvimwe mai Mhofu vachibva vati " Ndange
ndichatokanganwa mai Tadisa ndaida kukubvunza kuti asi mune hama inogara Muzororo muHighfield
medu umu here nekuti ndogara ndichiona mainin vachibuda pamwe pamba so Muzororo umu dzimwe
nguva ndoona baba Tadisa vachimbobva ipapo sometimes vanobudirana vese pamba pacho nekuti imba
yacho ingori opposite neyangu....

Aaagh zvakandishamisa ini kuti ihama ipi yoyo inogara Muzororo yandaisaziva ini, and Kuzororo
kwaisave kure nekuma lines andaigara muGlenora A momo zvekuti taingoganhurwa ne Highglen road
tinenge tatove mu Highfied saka taingove opposite taka seperatwa neroad. Ndakanyatsobvunzisisa mai
Mhofu vakati vaigaroona mainin vachibuda pamba ipapo nguva zhinji vakapfeka uniform kumasix zuva
rodoka.Ndakadozama kufungidzira kuti pada pamba peshamwari ya Melo asiwo chaindinetsa
ndechekuti ko baba Tadisa vaionekwawo ipapo saka zvairevei. Ndakanyatsoona kuti mai Mhofi
vaitorevesa ende vaitobvunza nemoyo wese semunhu aisaziva zvaiitika plus pamba pavo paisave ne
durawall paive ne fence saka vaikwanisa kuona zvese zvinenenge zvichiitika kunze uku. Ndakakasika
kuvhara nyaya iyi nekuti ndaida kunyatso kuzoibatanidza ndave ndega ndichitsvaga sense yazvo saka
ndakachinja nyaya ndokubva ndatanga hangu kubvunza mai Mhofu kana vaizobudirira kuenda
kumusangano wemadzimai waiveko kuRufaro kuMasvingo muna August,, vakati vainge vachienda inin
ndaisakwanisa nekuti same time yoyo ndopandainge ndichinira kuenda kuNyaradzo yamama kumusha
kuHwedza....

Ndakazoenda kumba ndichizama kubatanidza zvainge zvataurwa namai Mhofu asi ndatoshaya kuti
pamba paani ipapo paigaroenda vaviri ava ndisingazive. Kana dziri hama dzababa Tadisa dzaigara mu
Harare hapana waainge asina kundiudza ndaivaziva vese even mamwe mashamwari ake ndaitoziva
kwavaigara zvino uku ndaishaya kuti kumba kwaani?. Kana kuri kuside kwedu ndini ndaitombopota
ndichienda naMelo kune dzimwe hama kunomuratidza saka apa ndaishaya kuti kumba kwaani
kwairehwa uku.

Ndaive munhu aisakasira kuvhundukira zvinhu hangu saka ndakatodzikamisa hana yangu zvangu
ndichienda kumba,,I wanted to find out kuti chii chaiitika ndisati ndamhanyirira kubvunza vanhu,saka
ndakangoti handibvunze.

Ndichisvika kumba ndakaona Mainin vakatogara mumba vachiona tv nababa Tadisa vachitori fit fit
zvekuti ndakatozvishaya kuti ko ndomunhu ange achiti ndakaneta neta uyu? apo ainge akapfeka hake
kadress katiki tiki Handina kuda kutsuura ndakangovasweresa hangu ndiri mugood mood as usual,,,
seSunday kudai ndaisada zvemiyedzo ndakabva ndananga kubedroom kwangu kuti ndinosiya bible
nehandbag...
CHAPTER 7

Ndakasvika mubedroom mangu ndokuona pabed pasina kana order zvichiratidza kuti pange
pachitambirwa. Aagh ndaisada kubvunza hangu zvakawanda ini nekuti ndaitozoswera ndave pamuyedzo
hangu. Kuti nditi baba Tadisa chaiye murume mukuru ndiye aitambira pamubhedha kudaro
zvakandirambira ini ndakabva ndangonyarara hangu ndokuspreader bed yangu bhobho. Sezvo ndainge
ndangojaira kuenda kuchurch ndisina kudya,, makuseni acho ndainge ndangogadzirira mwana wangu
cerevita yekuti adye inini ndakangobuda ndisina kudya ndichiti sezvo mainini varovha kuchurch vanosara
vachibika. Tadisa ainge otonetsawo nzara sezvo kwainge kwave kuma to 1 dzemasikati apo ainge
apedzisira kudya cerevita yoyo kuma 8 maskati. Ndakasimudza mwana wangu takananga mukitchen
kunotsvaga chekudya nekuti nzara yainge yoruma.

Ndakapinda mukitchen ndokutsvaga chikafu asi hapana chainge chabikwa namainin,,, kudovhura frigde
kugwedebudza ndichiti pamwe pane kwazvarongedzwa asi hapana chandakaona... kkkk imi nzara
inopera iyi nekupererwa. Kana iyo muviri yacho yainzi yakaneta neta nhaimi ungabva watadza kuisawo
kana chipoto cherice pastove uchibika hako wakarara wotadza kana kumuka uchiuya kuzotarisa?
Munhu wemukadzi ungabva wazviregerera kudaro uchiteerera muviri nhaimi? ndaingozvibvunza hangu
ndakangomira mukitchen muye ndapererwa uku Tadisa ainge ondidhonza hembe yangu achiti mama
ndaane nzara. Chakandishsmisa ndechekuti munhu aiti akaneta neta muviri asi aiwana simba rekutaura
nyaya vachiseka nababa Tadisa vakagara wani,,, even simba rekugeza nekupoda ainge ariwana wani asi
rekubika ndoraainge ashaya... yoogh ndopaunoona kuti inga pakatoipa zvekurevesa _wega unobva
watoona kuti marwadzo skirt yasekai_

Ndakatozoona kuti regai ndisano dirira mwana wangu drink kuti asanetse.Ndakabva ndatanga
kugadzirira zvekubika hangu ndopandakaona shasha yaakuti nanai nanai achinanaira hake kuuya
mukitchen mandaiva. "Hesi Tadi mwanangu ko wambosweresa mama here?" ndimainin avo vainge
vaakutaura naTadisa ndofunga dzainge dzave nyadzi kuti ndainge ndaakutanga kubika ivo vagere havo.
Tadisa kacho kakaramba kari zii kachikakaira drink rako ndofunga yainge yave nzara mwana wangu
shame�..apo ainge agere pafloor chaipo. "Yaswera seiko muviri mainini" Ndakadaro ndaona kuti
ndikaramba ndakanyarara mwana wamai vangu aizonyungudika nenyadzi. "Ndiri nani hangu simba
raakuita richidzoka manje" ,,, akapindura hake mwanasikana.

Melody ndaimuda munin'ina wangu zvekuti ndaigaro rangarira mashoko amama pavakafa kuti
ndaifanira kumuchengeta samai vake zvinova zvekuti nyangwe aindiitira zvimwe zvinobhowa
ndaisamutsamwira for a long time. Ndaida kuti asashuvire mother's love nekuda kwekufirwa..
ndaizviziva kuti form 3 yaaive aive asati amature brain dzake. Kutsuura ndaitsuura hangu asi munin'ina
wangu aisateerera hake. Chishuwo changu chaive chekuti aite hushamwari nemabuku oendawo
kuuniversity zvandainge ndakatadza ini sisi vake. Nyangwe dai zvaizonzi ndaitengesa pamusika kuti
awane school feels ndainge ndakazvipira hangu. Ndaive nerudo naye Melody ndaida kuti azovewo
someone muhupenyu kwete zvandakaita ini zvekumhanyirira imba ndiri mudiki apo usingadiwe nehama
dzemurume futi. Chandaisadirwa kwaivewo kuti ndaisave graduate wo sevamwe varoora ndaingo
depender nemurume. Pandakaroorwa amwene vangu vakatombobvunza Anderw kuti nhai mwanangu
ungatore iyeyu asina course uyu washayawo graduate sewe here kana kutorawo wawakadzidza naye ku
U.Z uku. Zvakandirwadza zvakataurwa naamwene vangu izvi asi semunhu aida munhu wangu
ndakangoshingirira thats why ndaida kuti Melo ashande nesimba aenderere mberi nechikoro.

Melo akazoenda kuroom kwake ndokuno kushta hake (kurara) ,ko aigotyei hake mwana wemunhu hant
sisi vaibika here? Tadi paakangopedza kunwa akabva aenda kunotamba panze nemwana wamai Panashe
ndokusara ndichipishana hangu nemapoto mukitchen. Baba Tadisa ndaimbopota ndichidongorera
ndichiona shasha yakatsikitsira pafon dzimwe nguva yombosekerera hameno aitaurwa naye
ndakangotiwo hamenoooo. Ndakapedza kubika ndokuisa food patable shasha pfungwa dzainge dziri
mufon ndakatozoita wekuzunungutsa kuti gezai mudye food inopora. Munhu akaita kuvhundukira wena
kunyatsoratidza kuti aive mu 7th Heaven chaimo. Ndakaita sendaisazviona hangu asi nechemumoyo
ndaingoti ndichazvibata hangu.

Ndakazoenda kuroom kwamainin kuti ndinovamutsa kuti vaiuye kuzodya ndokuwana shasha iri busy wo
nefon haikona...masmairi airohwa kwete zvekutamba. Akatozovhunduka ndakumudeedza ke chi 2
ndakamutarisa ndokwakuzoti barabadu kumuka pamubhedha paaive. Inin fon yaMelo ndaisamboibata
kuona kuti inei because nguva zhinji pandaimboda kubiridzira kuibata asingazvione ndaiwana iine
pattern saka ndaibva ndangosiya zvakadaro zvimwe chetezvo neya baba Tadisa. Kubva zuva iri ndakava
nechidokwa dokwa chekuda kuziva zvaive mufon maMelo saka ndaiti ndichazoivhura chete.

Mazuva akafamba uyu baba Tadisa aienda kubasa semazuva ese asi ngoma ndiyo ndiyo yaive
yekunonoka kuuya kumba vese namaini. Nyaya yandainge ndaudzwa namai Mhofu ndainge ndisina
kukanganwa manje iyo ndiyo yaive mumusoro manje asi ndaisada kumhanyirira tsoro dzangu semunhu
aive nehana yakadzikama.... ko ndozvinofanira kuita munhu ka kwete kungoti kunzwa chinhu wotonzwa
kuremerwa neinfomation kuti dai ndaudza nhingi. Ndozvandainge ndakaudzwa namai vangu vasati vafa
izvozvo kuti munhu wemukadzi haikona kuita hana nhete.

Zvikoro zvakavharwa Mainin Melo vainge vakapasa 2 subjects out of 9 dzaaita apa yaive shona ne
Commerce zvaive nema C ukuwo mamwe aive aine 4Us ,2Us and a U � ko ungamudii? Hapana.
Ndakatoshaya kuti ko ndoma discussions aiuyirwa pamba husiku here aya. Zvakaoma hamaweee.
Sezvo zvikoro zvainge zvavharwa hapana kwaainge aakuenda aiswera pamba,,,baba T vakatanga
kukasika kudzoka kumba zvinova zvakazondipa kuona kuti pane yitambika chete pavanhu ava though i
acted as if nothing was happening. Zvakandipa shungu dzekuda kuferefeta nyaya yakataurwa namai
Mhofu saka ndaiti ndichazoibata ndabva kumusha kunyaradzo yamama plus ndaida kuzoita hutikitivha
hwangu zvikoro zvavhurwa september ndopandaida kunyatsonamura shiri dzangu nehurimbo kuty
namuuuu kkkkk.........

CHAPTER 8

Ndazotanga kugadzirira zvekuenda kunyaradzo yamai kumusha,, sezvo ndirini mwana wanyamunhu
ndaifanira kusanoendako before date renyaradzo kusanogadzirira pamba nekuona kuti kufood
kwakamira sei. Zvevanobika paisava neproblem nekuti vanhu vekumusha kwedu vaida zvemafunctions
izvi saka ndaitoziva kuti mamai emuraini ndoizenge achimira mira chete. Hama zhinji dzaizviziva kuti
kwaive nenyaradzo kusanganisirawo vamwe vekumusha kwababa Tadi ndakavazivisa nyangwe hangu
ndaiziva kuti tete mai Ezra ndivo vaive nerudo chete. Ndaitoziva kuti vaitorikwira chete bhazi kubva
kumusha kwaMurehwa vachiuya kuHwedza. Baba Tadisa vakati vaizotevera musi wacho sezvo vaienda
kubasa. Mainini vakamboda kuti ndozoteera nabamkuru pavanouya... Iiiiiiiih ndakabva ndarambira
mudenga ndikati hapana anosara pano ndiri kuda kunobatsirwa kucleaner kumba sezvo kwaizoiuya
vanhu.Iyi yainge yatove shiri yangu yandainge ndaakuziva muririro wayo saka ndakati hapana anosara
munin'ina totorova road tese. Ndakaona kuti shasha haina kuzvifarira asi ndakangoti hamenoooo....

Takazoenda kumusha tiri vatatu naTadisa wedu tikafamba zvakanaka chaizvo. Ndichisvika kumba
ndakambotanga kufunga mufaro wataive navo mama vachiri vapenyu,, misodzi yakadonha hama dzangu
mai vangu vakandirwadza ini ndaisada kuvalooser muhupenyu hwangu. Mainini Melo vaitove busy
nefon yavo achitoratidza kuti aibhowekana nesituation yepaden pavo apa. Ndakaenda hangu paguva
pamama kunoona sezvo raingove kunze kweyard,,,makuva acho aingove maviri chete ramama nerababa
ari panzvimbo 1. Misodzi yangu yakaerera shuwa ndichifunga kuti ndaive ndisisina vabereki shuwa. Apa
makuva acho ainge asina kana kuvakwa nesimendi chaiyo ainge akangotenderedzwa nematombo
mumaside kuratidza kuti pane makuva. Ndakachema nechemumoyo ndichiti kana ndikazowana mari
muhupenyu ndaizoshuvira kuisawo magrave tombostone akanaka naka pamakuva evabereki vangu.
Handina kuona kuti Melo akasvika nguva pandainge ndakamira apa ndakaona akundibata bendekete
achindibhabhadzira zviye zvekundinyararidza,,,ndofunga moyo wainge warwadza muni"ina wangu
ndakaonawo misodzi yakajenga mumaziso. Takazonyararidzana ndokuzonanaira tichidzokera kumba
kuti tinotsvaira tsvaira mudzimba.
Sezvo vanhu vainge vazviona kuti tauya vamwe vakadzi vemuraini vakatanga kuuya kuzotibatsirawo
kucleaner pamba. Ndozvandaidira vakadzi vemuraini maRuocha,, vainge vaine tsitsi mufunge vaiita
mushandira pamwe. Takazosiya vamwe vachicleaner ndokubva taenda kunokwazisa vanhu kumba
kwaana bamunini vangu. Takabvunzana mufaro aiwa vaifara havo vari vatano vese. Ndivo vandainge
ndaakutoonawo sevabereki vangu sezvo vari ivo vaive vasara. Ndakazovapa mari yandaida kuti
vanditsvagire mbudzi mbiri kuti tiwane muriwo waizodyiwa nevanhu. Bamunin ndivo mumwe munhu
wandaishuvira kuitirawo zvakanaka muhupenyu nekuti vaive munhu anonzwisisa plus vaisave munhu
ane hundyire. Takazodzokera kumba naMelo wangu,,, mainin vakatiperekedza kusvika pachivanze
vachitiudza nyaya dzaiitika muraini medu umu.

Takazogara 2 days pamba pedu vanhu vakawanda vakazotanga kuuya a day before memorial,, To my
suprise Landlady vangu ndakavaona vachisvika mufunge asi pandainge ndavaoneka vachiuya vainge
vasina kumbootaura kuti vaiuya. Kune vamwe vanhu vane rudo mufunge vakandishamisa mai ava.
Ndakatozoshamisika worse ndichiona tete mai Ezra vachisvika naamwene vangu ndakangoti nhaka
kuchanaya mvura inopisa,,, ndofunga vainge vaakunyara sezvo vainge vasina kuuya parufu. Hama
dzakawanda dzekumusha kwamama dzakauya zvinova zvakandipawo kakurerukirwa mumoyo.
Mangwana acho takazoita memorial service aiwa vanhu veraini vakakoromoka kuuya. Baba Tadi
vakauyawo nemabhururu avo ekubasa,,vekuchurch vaivepo vachibatirana nesu hurongwa hukafamba
zvakanaka. Ndakamaker sure kuti vanhu vese vakwana chikafu sezvo varivo vakaita kuti zvienderere
mberi . Vanhu vakazoparara voenda ndokusara hedu vana samusha.

Takazoronga kuti baba Tadi vatungamire isu tozoteera hedu sezvo ndaida kumbosara ndichona kuti
zvinhu zvasara zviri muorder.Takasara naMelo tichicleaner pamba nekuchenesa mudziyo yainge
yashandiswa.. takazonooneka ana bamumin ndokurongedza mabag edu todzokera kwedu kuHarare....

Sezvo yainge ichiri holiday taingogara zvedu bhoo bhoo mainini vachiswera pamba neni. Kana kuri
kuchurch ndaitomaker sure kuti ndaita kuti tiende tese nekuti ndaisada kuti masundays asare pamba na
baba T. Ndainge ndoita kumupina chaiko dzimwe nguva aimboda kuramba kuenda achiti ndiri kurwara
asi ndaibva ndatomuti hande kuchurch ndiko kunopora vanhu. Ndainge ndisisachatembe munin'ina
wangu uyu zvamuchose saka ndaitoona kuti ndamutsika konzi chaiyo. Pafon aisabva hake uyo waive
mutemo apo yaigara iine pattern asi ndaiziva kuti 1 day ndichaivhura chete.Yababa Tadi ndaisaiitira
pressure hangu ndaida kupfavira ngoma kusvika ndanyatsowana full infomation.

Ndakambozama kumuudza kuti pota uchiverenga sezvo ainge asina kunyatsopasa term yainge yapfuura
asi iiiih ndaiudza dombo. Munongozivawo generation yema born whats app inonetsa iyi.. ndaingotarisa
hangu ko ndaigozvidii nha
imi vehama.

Zvikoro zvakazovhurwa mainini vakatanga kuenda kuchikoro katsika kavo vakakatanga futi asi handina
kuda kuvhundutsira shiri dzangu ndainge ndaakuda kunyatso tsvaga pekuisira hurimbo hwangu kuti
ndibate shiri dzainge dzandinetsa idzi. Ndainge ndatove nerimwe zano mupfungwa dzangu randaida
kuita kuti ndinyatsobata vanhu vangu nekuti ndaida kuita kuzvibatira ndega mbune.....

CHAPTER 9

Ndainge ndafunga kuenda kwamai Mhofu kuti ndinyepere sendaida kuvaona ndichinoongorora pamba
paye.Ndakataimirahangu mainini vaenda kuchikoro ndokubva ndabereka mwana wangu ndiye tande
kuzororo kuye. Ndakasvika mai Mhofu varipo havo pamba pavo vakagara panze pasi pemu
avocado,,,,titambireka asikana kutitsika here uku asikana ?" ,,,,vakadaro mai Mhofu ndichisvika pamba
pavo. "Ndiri nani hangu askana muri seiwo henyu ndakataura ndichiburutsa mwana wangu. Ndakabva
ndagara pasi hangu ndokumbokurukura dzimwe nyaya dzakasiyana. Vakabva vati "zvino ndingagarise
vaenzi panze here ngatipindirei mumba",,ndakabva ndati ndaida kugara panze ndipo paitonhorera.
Zvemumba ndaisambozvida ini ndaitoda kugara panze ndichidongorera pamba paye nekuti ndaida
kunyatsoona kuti pamba apa painge pakamira sei.

Mai Mhofu mupfungwa dzavo vaiti pamwe ndainge ndauya kuzovatandadza asi ndainge ndauya kuzoita
hutikitivha hwangu ndiri pamba pavo apa. Vaitove busy kunditsanangurira zvekumusangano kwavainge
vaenda muna August kuMasvingo asi ini ziso rangu raive pamba paye. Chakandibhowa ndechekuti
pamba apa paive ne durawall saka ndaisaona zviri mukati saka ndaitamira kuona any munhu aizobuda
ipapo plus ndainge ndakatoronga kugara pamai Mhofu kusvika kuma six kuitira kuti kana shasha dzangu
dzaizouya ndaizopindapo topedzerana. Ndakagara pamba pamai Mhofu apa kwenguva refu, ivo
semunhu aitaurisa havana chavakambo noticer kuti pfungwa dzangu dzaisave panzvimbo,,
vaingowawata havo ini ndichibvumira.

Ndakapedza dzinenge 2 hours ndichitarisa kuti hapangangoite munhu angavhure gate here asi hapana
wandakaona paingove zii. Time time ndakazoona paakubuda umwe musikana aiita kunge mukadzi
kunge musikana,, aisanzwisisika. Ndakanyatsomutarisa asi ndakatoona kuti ndaisamuziva saka
ndakangomusiyawo akadaro uyo ndokuramba ndakagara hangu. Dzainge dzave kuenda kuma 5
dzemanheru panova pandaitarisira kuti shiri dzangu dzainge dzaakuda kusvika... Ziso rangu raingove
kugate remba iye ndakangotarisa. Ndofunga kana ivo mai Mhofu vainge votoshaya kuti ko mutandariroi
wandainge ndoita uyu kusvika kuma past 5 ndakagara pamba pavo ndichitadza kunobika kumba
kwangu... aagh ko ndaigodii ndaitove nedzandaitsikisa hangu ivo vari murima. Ndakagara asi hapana
chandakaona musikana wekubuda uye haana kuzombodzoka plus hapana kana wandakazoona
achipindapo. Ndakatozoona kuti ndainge ndakagarira guyo sembwa saka ndakabva ndaoneka ndoenda
kumba. Mupfungwa dzangu ndainge ndaakutofunga kuti pamwe mai Mhofu vaiona vanhu vasiriii ivo
nekuti dai vaive ivo ndaidai ndakavabata musi uyu asi hapana wandakaona. Ndakabhoikana kuti ndainge
ndafambira mahara asi muhana mangu maingondiudza kuti pane zviri kuitika chete ndichazvibata.
Ndakasvikakumba to my surprise shasha dzaitove po pamba zvadzo,, mainin vainge vatori busy kubika
avawo baba Tadisa vainge vakatogara vachiona bhora. Ndakatombozvituka nguva iyoyo kuti ndaive
ndichifungira munhu zvisirii izvo. Ndakabva ndambosiyana nenyaya iyi nekuti yainge yonditemesa
musoro. Baba Tadisa vakazobvunza kuti ko ndainge ndaendepi ndikati ndainge ndaenda kuno cleaner
kuchurch ndichinyepa hangu.

Mangwna acho ndakafumo wacha hembe nemasheets sezvo ainge asviba saka ndakangoti regai
nditorewo masheets amaini ndiwache,,ndakabva ndapinda muroom mavo ndokutanga kuwaranura
masheets pamubhedha wavo. Pandakati regai nditore sheet rekupedzisira pakabva padonha photo raive
pasi pesheet. Pfungwa dzangu ndakabva ndaziva kuti ndiro pic randainge ndambohwandisirwa namainin
Melo mwedzi mushoma yainge yapfuura. Ndakasekerera hangu ndakaritarisa ndisati ndarinhonga
ndichitoti nhasi ndaakuzosviona svibamunin sviya svandaihwandisirwa... Neparainge riri pic racho
rairatidza kuti raidiwa zvisingaite pic roro. Ndakabva ndakotama hangu kuti ndirinhonge pasi paraive
ndione sezvo rainge radonha rakapidiguka, kwaive neface yemunhu ndokwaive kwkavharika.
Pandakarinhonga ndichitarisa munhu wacho aivepo kudai kkkkk ayas ndakamborohwa nge confusion
ndakaringe paphoto riye ...

Aive the man himself baba Tadisa wangu. Ndakatanga kuchovha bhasikoro rendangariro ndichishaya
kuti ko photo iri randaisaziva remurume wangu raitsvagei umu. Ainge ariye hake Andrew ari musuit yake
yaaiwanzofarir yesilver idzi dziriko mazuvano idzi dzekuti ukasaitarisisa munhu akaipfeka inoita kunge
yakatota iyo isina,, kkkk ko ndooka zvaako mazuvano. Ndakambovarairwa ndakatarisa pik remurume
wangu iri nekuti ainge akabuda huhandsome hwese paphoto roro. Ndakazonyatsotanga kufunga
nezvephoto iri nekuti ndaisariziva kwaitove kutanga kuriona zuva irori... ndakabva ndatozviona kuti
there was some thing fishy apa. Ndakaritora ndokunoriisa mubedroom mangu ndokuenderera mberi
nekuwacha..

Mumba mangu maisave nemaphotos akawanda saka ndaitonetsekana kuti ko iri raive rabva nepi iri
randaisaziva plus rairatidza kuti rainge risiri rekudhara though haro raisave nedate netime.
Ndakatozongozvipa conclusion kuti ndiro chete Photo raiwonekwa namaini musi uya vachisekerera.
Chainge chondinetsa ndechekuti ko sei vakariviga musi uya.....
CHAPTER 10

Melody ndaimuda mwana wamai Vangu zvekuti ndaitoshaiwa kuti kahupenyu kaainge oda kurarama aka
kekunzvenga nzvenga ainge akawanepi. Inini zvekurarama kahupenyu kekuhwandirana under 1 roof
zvainge zvondifinhura hangu.Ndainge ndodzidzira kuita hutikitivha mumba mangu zvinova zvinhu
zvandaisafarira kana ka1. Kubva zvaigara Melody namama kumusha taive vanhu vaiwirirana zvisingaite
zvekuti hapana aivanzira umwe zvinhu zvino apa iiih zvainge zvakaoma hama. Chimwe chinhu change
chondifinhura yaive dressing yainge yorohwa nemunin'ina wangu uyu. Ainge akanditi haadi
zvekutengerwa hembe so pese pandaiwanira kamari ndaimupa kuti anotenga ega but zvaitengwa
zvachooo..... Ainge ofarira kupfeka twuhushort hu short twutiki tiki netwumwe twuhembe tawke
twaisiya guvhu nedumbu panze hanzi tunonzi twuma crop top.... Ndiyo yaive yave dressing yacho iyoyo...
ko aigotyei hake mwana wemunhu. Ndakatanga ndichatsuura but iiih ndaiita sendaiudza dombo
hangu....ndainge ndongotarisa.

photo riye ndakangoritora ndokurichengeta hangul nekuti ndaida kuona reaction yake paaizouya
achiona risipo. Ndakanyatso tsvaira muroom make ndokuchinja masheets bhoo bhoo
nekunyatsorongedzawo mushe. Melody zvekurongedza mumba izvi nekutsvaira zvaisave zvake kwake
kwaive kugeza nekupoda,,,haaa ipapo kana ini ndaipa mathanx hangu ndega. Aiti kana achibuda mumba
so aisiya zvinhu zvakangoti bvuu,,,hembe dzichingobhururuka neuko mabhuku achibhururuka neuko
zvimwe zviri pamubhedha zvimwe pasi, zvichingodaro... ndaingopota ndichirongedza ko ndaigodii ndirini
mukuru... ndaigorova here?....

Pfungwa dzangu dzainge dzichiri kufunga nezvekuimba iye yeKuzororo. Ndaida kunyatsotsvaga kuti
pamba apa paiitwa nezvei plus ndaida kunyatsoziva kuti ndivana ani vaigarapo. This tym ndainge
ndafunga zvekuenda pamba pacho mbune kunoita hutikitivha hwangu . Ndaisada kuonekwa namai
Mhofu this tym nekuti ndaisada kuti vafungire fungire so ndaida kumaker sure kuti hapana chavari
kuziva. Ndakaronga kuti ndaizodzokera futi pamba apa rimwe zuva. Ndakazopedza kuwacha hangul
hembe nemasheets amainin Melo ndokubva ndatanga kunzwa kuti ndainge ndoda kubatwa neflue plus
musoro wangu wainge wotema zvakanyanya. Ndakaudza Tadisa kuti aende kunotamba mahumbwe
panze nemwana wamai Panashe vataigara navo nekuti ndaida kumborara. Ndozvandaimudira mwana
wangu aisambonetsa hake akabva atoenda nekuti ndaisada kuti asandikanganise kurara. Ndakabva
ndangozvikanda pabed ndokutanga kurota.......

Ndakatanga kurota ndiri kumusha kwedu kwaRuocha ndiina mai Vangu asi ndaiita kunge ndaichema
ndiri pamberi pavo,,,,, mashoko andiri kurangarira vachindiudza ndeekuti "shinga mwanangu ndizvo
zvinoita hupenyu hune materu nemakwidza asi dzidza kuita uchinamata Mwari vakuratidze nzira kwayo
yekufamba nayo" ,,,, ndiwo mashoko avakataura vachibva vatendeuka ndokutanga kufamba vachienda
dzamara ndisisavaone. Ndakatozopeputswa naTadisa kwatove kumapast six dzemanheru.,,,ainge
atogezeswa kare katochena ndikaziva kuti ainge agezeswa namainini. Ndakamuka ndokutoona kuti
mainin vainge vadzoka kubva kuchikoro. Kana kuti vainge vadzoka nguvai handina Kuziva..
Ndakatonanga kukitchen ndookuona vatopedza kubika muriwo wemanheru. Baba Tadisa vainge vasati
vauya... avo ndainge ndatojaira kuti vanonoka kuuya..so ndakabva ndaenda hangu kunogeza nekuti
ndainge ndakaneta neta muviri wangu plus mumusoro mangu mainge muchiri kuringer mashoko ainge
ataurwa namama kuhope. Ndaishaya kuti vaizama kurevei nemashoko avo....

Ndakapedza kugeza ndokuwana Mainini vatopedza kubika...baba Tadisa vainge vadzoka vakagara
vachitoona bhora. Inini muviri wangu wainge uchiri wakaneta neta so ndakaudza vanhu kuti musoro
wangu wainge uchirwadza saka ndaida kukasira kurara...Baba Tadisa vakati vaida kuona bhora raizobuda
na 2200 hours manheru iwayo. Sezvo kwaitamba best team yavo Liverpool handina kuda kumboita
pressure nazvo sezvo yaive tsika yavo kubva Kare yekusara vachiona bhora ndarara. Ndakabva ndaudza
Mainini kuti ndaakunorara vachibva vati kana naivo vainge vaakunzwa hope... takabva tasiya baba
Tadisa vakagara ndokuparadzana namainin umwe achienda kwake umwe kwake.

Ndakasvika ndokunyatsorarisa mwana wangu bhoo bhoo ndokubva tarara hedu. Ndofunga ndakarara
dzinenge 3 hrs ndichibva ndapepuka... baba Tadisa vainge vasati vavemo mubedroom. Ndainge
ndaakunzwa nyota semu hu aida kubatwa neflue pahuro painge paoma... ndakabva ndati regai
ndinonwa mvura kukitchen. Ndakanyatso fukidza mwana wangu ndokubuda ndakananga kukitchen.

Pandakafamba ndichienda kukitchen ndakazviona kuti musitting room mainge musina munhu asi TV
yaive on pachitobuda bhora but pasina aiona. Ndakashaya kuti ko baba Tadisa vainge vaendepi zve..
ndakabva ndasiya zvekunochera mvura yekunwa yandainge ndamukira ndokufamba ndakananga
kuroom kwamainin... ndaida kuona kuti havako here ikoko....

CHAPTER 11

Ndakanyatsofamba hangu low low ndichienda kuroom kwamainin Melo.... ndakanyatsobata handle ye
door pore pore hangu. ndichiita zvekunyangira ndokubva ndangoti bherengende door.... Ndakatowana
Melody akatofuga musoro akarara hake ndokubva ndaona kuti ndainge ndiri kufunga zvisiri izvo.
Ndakasvotwa zvisingaite ndainge ndoti ndaakuzobata shiri dzangu but hapana kana shiri yandakabata.
Ndakasiya Melody akarara ndokubva ndaakuda kubuda asi ndaakubuda padoor ndakabva ndahakwa
gumbo rangu nechinhu change chijira ndokubva ndachinhonga. Pandakatambanudza ndakawana kari
Knight dress kamainin Melo kavaiwanzorara vakapfeka. Zvakandishamisa kuti ko Mainin vainge vazorara
vasina kukapfeka nemhaka yei nekuti every day vairara vakakapfeka plus ndaitoshaya kuti kaitsvagei
pasi apa. Sezvo maive muna October ndakangoti pada vari kunzwa kutsvaa asi chakandishamisa vainge
vakafuga blanket nemusoro kuti gwibaa. Ndakabva ndangonhonga kanight dress Kaye ndokukanda
pamusoro pemonarch yake.Ndakabva ndabuda ndokuenda hangu kunotsvaga mvura yangu yandainge
ndamukira uku pfungwa dzangu dzaitonetsekawo kuti ko baba Tadisa vari kupi?

Ndichipinda musitting room ndakawana shasha yavemo yakagara pasofa ichiona bhora.. ndakabva
ndabvunza.. " ko mange mamboendepiko ndapinda muno musimo?" ... Ndambenge ndabuda panze
kunze kuri kupisa uku October wacho akaipa mhani eish" ... vakadaro baba Tadisa vachizvipumha pumha
nemaoko zvinoita munhu kana achinzwa kutsva zviye. Ndakabva ndanonwa mvura hangu kukitchen
ndokudzokera kunorara. Pasina nguva shasha yakabva yateera ndokubva ndabvunza kuti ko maakurara
bhora risina kupera hanzii... zvikanzi ranga raakubhowa. Ndakabva ndarara hangu iye ndokutanga
kubaya baya fon yake.... ko ndiwo wainge wave mugariro zvee ndaingoita sendisiri kuona hangu.....

Mangwana acho yaive wikend saka mainin vaisaenda kuchikoro... ndakabva ndavakumbira kuti
vandirudunurewo zvimabraids zvandaive ndakarukwa zvaive zvasakara. Takatora machairs edu
ndookunogara pasi pemumango waive pamba pataigara.... pasina nguva mai Panashe vakabva vabuda
mumba mavo ndookuuyawo pataive tiri....Vakatanga kubatsirana namainin Melo kundibvisa zvima
braids zviye ndokubva mai Panashe vazotanga kutaura.. " Mainin muchenjere kubirwa nezuro
ndakanzwa mutsindo nechekuhwindo kwenyu uku" vakadaro mai Panashe ndokuenderera mberi tisati
tambodaira..... "munhu iyeye akaita seaijamba kubva pamwe panhu but zvaiitika nechekuhwindo
kwenyu uku mungwarire mainin plus window remuroom menyu harina mabaglar bars",,, vakadaro havo
mai Panashe vachitori serious kuratidza kuti vairevesa. Ndakabvunza mainin vakati havana chavakanzwa
vainge vakafa nehope.. Iniwo kuti ndifunge kuti pane zvainge zvamboitika manheru acho handina
kuzvifunga ndopandingadai ndakakasira kunyumwa ipapo asi hazvina kana kuuya mumusoro mangu
ndakatofunga kuti inogona iri mbavha yainge yajamba durawall ikapinda mukati. Ko ndaive murima ka
ndaizivei hangu...

Takazoswera pamba namaini but ngoma yaive ndiyo ndiyo yekuswera vakabata fon yavo vari pawatsapp.
Kana chinotiwo regai ndibate book hapana... gore rainge rotoda kun opera kuti vapedzise form 3 asi
aisatombovhunduka hake kuti gore raitev era aizenge achinyora. Izvo zvainge zvangove
zvekutarisa.Akabva aenda kunogeza ndokuvarairwa kwakusiya fon yake ichirira iri patable musitting
room. Ndakabva ndatoti chance given ndotomboibatawo nditsvage mames sages.Pandainge ndaakuda
kutoenda kuwatsapp ndakangoona fon yabvutwa mumaoko ini aikazvee ko munhu atopedza kugeza
nguvai�. Ndakamutarisa kudai ndookuona munhu akatozara sipo mumusoro achitoratidza kuti ainge
auya achimhanyira kuzotora fon yake. Ndakangosara ndakabata mhepo zvikanzi ndauya kuzoitora kuti
ndiise pacharge so that pandinopedza kugeza inenge yaane moto. Aagh zvakandishamisa ini kuti
ndozvingamhanyirwe kudaro munhu kubuda mubathroom aine sipo mumusoro? Ndakamboda hangu
kumuudza kuti ndini ndakatenga fon yaunoramba kuti ndibate iyi asi ndakazvidzora hangu.. ndaisada
kunyadzisa munhu ndakangozvisiya hangu. Ndakabva ndabuda hangu mumba macho ndokuenda
mubedroom mangu maive makarara baba Tadisa. Ndakamusiya achiibirira pacharge ini ndokubuda.
Ndakasvika baba Tadisa akazvambarara pabed achibaya baya fon. Ndakabva ndamukumbira mari yekuti
ndinorukwa musoro wangu,, ko taitoita ka yekukumbira ka kuita kunge mabvi achaita seembudzi
uchipfugama uchikumbira mari yekurukwa.Ndozvazvinoita kana usingashande!!!

Mari yacho yakangoburitswa munhu ari zii asina chaataura ndokubva ndamutenda ndookubuda hangu
nekuti ndaida kuzorukwa mangwana acho ndabva kuchurch. Mangwana acho takagadzirira kuenda
kuchurch mainin vainge votoziva kuti ndaisavatendera kusara pamba kana Iri Sunday. Ndaiona hangu
kuti zvaivabhowaa asi paisave neyekutamba.

That day ndakanamatira munin'ina wangu kuti akure ari munhu kwaye..Ndowaingove munamato wangu
kuti Mwari vamuitire zvakanaka muhupenyu akure ari munhu anotya Mwari. Ko ndozvinodiwaka
pamunhu. wemusikana... zvitoda wo kupfugama mufunge, kwete kunamata wakarara pamubhedha uri
mumablankets.. Thats very bad girls....panotori nevamwe vanhu vasina makumbo vanotoshuvira kuti dai
ndiine makumbo ndichimupfugamirawo Mwari uyu... asi iwewe une ese unoita kunamata uri
mumagumbezi. Imika!!!!

Church yakazopera ndokubva ndaenda kunomhoresa mai Mufundisi. Melody akaramba nekuti ainge
akapfeka kadress kadiki zvaitonyadzisa kuti anoona murandakadzi waMwari akadaro so
ndakanovamhoresa ndega hangu iye ndokusara aina Tadisa. Takazoenda kumba hedu ndokuwana
kusina magetsi. Ndakabva ndati Melo aende kunofilisa gas... baba Tadisa vakabva vati ndiri kuda kuenda
namaini kwaGazaland ndiri kuda kumbotwasanudza makumbo. Zvakandibhowa hangu asi handina kuda
kutaura ndakavasiya vachienda vese... Ndakabva ndatosara ndichitoronga kunorukwa hangu nekuti
mangwana acho ndaida kuenda kumba kuye kunoita hudetective hwangu......

CHAPTER 12

Mumba medu nababa Tadisa ndainge ndaakutoona kuti dzinde rerudo rainge roita richioma mbichani
mbichani. Kubva zvatakatanga kugara namainin, baba Tadisa akabva achinja zvisingaiti... Ainge
ongoswera ari pafon kana mwana wedu aisamboitawo nguva naye... Ndainge ndototya ini kana
kubvunza kuti ko chii nekuti ainge ogara face iri kwindi.Kana ndikati mumba hamuna chakati munhu
aingoburitsa mari ari zii... zvinhu zvandaitoshaiwa kuti ko chii chainge chichinetsa umwe wangu
uyu.Andrew ndiye munhu wandaivimba naye muhupenyu hwangu zvekuti ndaitoshaya kuti Satan ainge
anyuka nepi. Munoziva Satan anongonyuka kunge nzimbe dzemusewage... ndozvainge zvoda kuitika
ipapa. Ndainge ndongodemba kuti dai mai vari vapenyu Melo angadai asina kumbouya hake nekuti
ndiye munhu ainge ari kukonzeresa iyeyu... asi hapana zvandaizviitawo ndini ndainge ndatova mai
nababa vake.

Ndakaenda pane umwe mukadzi aive nechisaloon chake paroad muline mataigara imomo ndokubva
ndati andiruke weave.. ko tainge tototsvaga vanoruka zvakachipa ka nekuti pandaipihwa mari iyi
nyangwe isingakwane zvauri kuda kurukwa yaisabvunzika imwe... unozopedzisira wabvunzwa kuti
unoshandepi... Mukadzi uye akatofarawo kuti ainge awana customer zvezuva iroro.. ndakamboda hangu
kumubvunza kuti munofunga kuti munowana sei macustomer imi muchishanda nezuva rekuchurch?
ndakazongonyarara hangu asi ndakapotsa padiki ndabvunza kudaro.... Mwari vanodawo kunonamatwa
hama dzangu. Iko kungomuka uri mutano inyasha mufunge... vamwe vari kukwira ndege kuenda
kunana India kunotsvaga kurapwa kuti vapore asi iwe mutano haudi kunamatawo Mwari uyu even 1 day
zvaro. Chimwe chinhu chatinotadza vanhu ndechekuti tinongoda kutsanya tichikumbira chete nguva
nenguva... Mwari vanombodawo kutsanyirwa uchitenda zvaunazvo izvozvo ... Ndakazongorukwa wo
kaweave kainge kakangodaro daro namother vaye,, ko zvaingove zvekukiya kiya ka munoti izvo
zvairukirwa muroad zvaizonaka zvikadii...

Mai vaye vaingotaura nyaya dzavo vachindiruka zvikanzi hee pane umwe musikana wandicharovesa
hangu muno muline ndomuona achifamba nemurume wemunhu musikana iyeye kungoti handizive
hangu kuti mukadzi wacho ndewekupi asi baba ivavo ndevemuno muline asi ndoshaya kuti vanobuda
nechepapi.. Aagh ndakatoshayawo kuti mother ava sei vaida kutenga nyaya dzisiri dzavo kudai..
ndakabva ndabvunza hangu.. "Munovaona kupiko vanhu ivavo?".. vakabva vati vaivaona pavaimboenda
kumba kwasekuru vavo vaigara kuzororo. Ndakangotiwo hameno..ko nyaya dzemadziro committee
ungadzipedze here ndaitove nezvangu zvaitondinetsawo ini. ndakabva ndangotiwo inga zvakaoma.
Vakabva vatotanga kuwedzera kutaura zvikanzi " kamusikana ikako kanondibhowa mufunge apo
kamwana kechikoro futi nxii... apo baba vacho ndinongoziva kuvaona vachifamba muroad umu but
pavanonyatsobuda chaipo handipazive ndingadai ndakatokwenyera mukadzi wacho".. yoooh
ndakashamisika kuti sei mai vaida kutenga nyaya kudai ava...vaive full member yemadziro committee
zveshuwa nekuti vaitoratidza kuti vaive nehavi yekuda kuziva mukadzi wababa ivavo.. Vainge
vakaremerwa nedotcom kkkk vaitoshaya wekuturira....

Kune vanhu vanotaura veduwee iiih mukadzi aitaura iyeye ndainge ndotobhoikana ini apa agoti
aitaurisa. Aitaurira pamusoro futi kunge munhu arikupopota. Ndakatomboti asi mai iyi yakaita degree in
popotology�.Vakaramba vachitaura zvikanzi " ndichamutsvaga chete mukadzi wemurume iyeye nekuti
vana vechikoro ava vanotojaira"...zvese zvaivaitaura ndaingoti hooo inga zvakaoma. Inini zvekuganhira
izvi ndaisazvifarira hangu. Zvakabva zvanzi kungoti murume wacho anowirirana nabla Jodza ndingadai
ndakabvunza bla Jodza manje iiih rasta man ivavo havajairike.. iiih ndakashaya kuti ko mai ava zvaana
blaa jodza vavaive votaura ava vanozvizivirepi plus vaitotaura ndimi kwandiri,, ndaisatombonzwisisa
nyaya yavo ini. Ndakabva ndaoneka ndokuvasiya ndainge ndatoona kuti nyaya dzacho hadziperi.

Ndakazoenda kumba ndokuwana Mainini vadzoka nabamkuru vavo.Ndakavakwazisa ndokutanga


kugadzirira zvekubika.Mainini zvekubika izvi vaisazvifarira saka ndaitoona kuti ndagadzirira zvekuti
vanhu vadye... ko taive mahouse wife ka tainge tatojaira kubika nekuwacha ndokwataive takatora
course zve..Mainin vakazouya mandaibika zvikanzi ndatengerwa necklace nabamkuru patange
taakudzoka tichibva kwaGazaland. Ndainge ndisina kumbozvicherechedza hangu kuti huro yasisi yaive
yakachena.Aiwa yainge yakanaka necklace yacho... tainge totodzionera panana Melo ko isu
taisaitirwawo ka twuma surprise. Ndakanyatso commenter ndikati aiwa wakachena mwana wamai. Ko
ndaigodii hangu... Ndakatoshamisika kuti baba Tadisa vainge vawana mari yekutengera mainin necklace
asi ndainge ndakamukumbira mari yeetym nezuro wacho akati ainge asina. Ndakangozvinyarara hangu....

Ndakazopedza kubika ndokubva tadya hedu. Vamwe Vangu vaiita sevachaseva pasi maziso ari pafon.
Aagh ndaingotarisa hangu ini..Patakapedza kudya ndakabva ndati Mainin ndipeiwo ka fon yenyu
ndimbotamba game. Mhinduro yandakapiwa ipapo kaa... zvakabva zvanzi "sisi Tale fon yangu
munoivavarira stereki ndosaka ichinzi cellphone in other words zvoreva kuti iself phone,,, ndosaka
umwe neumwe aine yake"

.. akadaro hake mwana wemunhu achitopfekera phone yake mubraa.

Kubva zvandainge ndakagara naMelo ainge asati ambondipindura achinyenama kudaro. Aikanganwa
kuti ndini ndainge ndakatenga fon iyoyi.. ndakabva ndangoti its ok mainin ndapanzwisisa. Ndakabva
ndatosimuka nemwana wangu ndokunorara... ko ndainge ndanyatsopihwa size zve. Ndopandakatoona
kuti Melody ainge achinja zveshuwa.....

CHAPTER 13

Ndakatoona kuti ndainge ndiri kunonokera nyaya yangu...ndaifanira kutora action zvinhu zvisati zvaita
zvenhando otherwise ndaizoita iye inonzi kunonokera colgate mazino achiwora. Melo aida kuzviita hake
munhu akangwara asi kutaura shuwa ndaizviona hangu kuti pane zviri kuitika. Ndainge ndototyira kuti
achapihwa mimba ndikashaya kwekunyarira nekuti ndaisambonzwisisa relationship yake nababa Tadisa
kuti yaive ichiri yehumainin nabamkuru here kana kuti vainge votodanana.Zvinhu zvandaisambofungira
kuti zvingaitike pamunin'ina wangu mufunge... Pese pandaiedza kuzvipa conclusion kuti vanhu ava
vanodanana hana yangu yairova zvisingaiti. Kuti ndivabvunze futi ndaisave neevidence nazvo ini saka
nyaya yacho yainge yondiremera asi kamuitiro kavo ndokainge koita kuti ndigare ndiine question mark.
Melody aive ne16 years by then asi ndaitomutyira nekuti pfungwa dzake dzainge dzisati dzonyatsofunga
zvekuona mamiriro ehupenyu. Iyewo murume wangu ndaitoshaya kuti chii chainge chomubata nekuti
taitombove vanhu vaiwirirane zvisingaite,,mumba medu maigara muchibvira huni dzerudo zvinova
zvinhu zvandaigaro yemurwa namai Panashe vailodger wo pamba apa. Murume wavo aive musoja saka
dzimwe nguva vaimborohwa kunge nyoka yapinda mumba zvekuti ndainzwa tsitsi. Apo murume wacho
vaiti vakanetsana kana atsamwa aigona kudhudhudzira mafuta ese ekubikisa pasi shuga dzichibvarurwa
zvichiraswa panze.... grocery rese raigona kubvarurwa richiraswa panze. Makamboona kupi hasha
dzetype yoyo? Ndaitozvishaya ini kuti baba ava vanofunga nepai. Ndaizoseka hangu kana vaakuwirirana
manje hasha dzapera apo mumba munenenge musisina chinhu... ndopaunoona kuti dzoro rababa ivavo
rainge rakazara mvura,, ndofunga ndovaye vekupinda chisoja negrade 7. Landlady vedu vakambotanga
vacharandutsira noise dzavo pamba apa asi vakasvika pakugeza maoko. Tainge tongotarisa pakuti
dzevaviri had zide kupindirwa stereki ndiwe unozosara waasaskam ivo vaakuwirirana. Ini ndozvinhu
zvandaigarotenda Mwari nguva dzose nekuti baba vekwangu vaisarova havo haa ipapo handidi kunyepa.

Sezvo yainge yave Monday ndakanyatsopedza basa rangu bhobho plus vanhu vekumba vaive vabuda
ndokufunga zvekuti ndimbosvika Kuzororo kwaive nemba yandaida kuziva nezvayo iyi. Ndakaudza mai
Panashe kuti vambosara nemwana wangu... ndakabva ndavanyepera kuti ndaida kumbonoona vamwe
mai vataipinda navo church. This tym ndaisada kuonekwa namai Mhofu saka ndaisatoda zvekuenda
nemwana.Ndichangobuda gate repamba pedu ndakabva ndasangana naLandlady vangu vachibva
kunotenga chingwa. Ndakavamhoresa hangu ndokubva vatanga kutaura zvikanzi,, "Mai Tadi uri kudzikira
muviri mwanangu mazuvano chii kudai asi uri kunyanyofunga nezvekufa kwamama here nhai
mwanangu?" Ndakabva ndati kwaingovewo kuonda paive pasina problem... vakabva varamba
vakanditarisa zvikanzi " usanyanyozvidya pfungwa nekufunga mwanangu I know kuti kufirwa namai
kunorwadza but just try to let it be, ndokutonga kwaMwari hapana zvekuzviita ini ndakafirwa namai
vangu ndiri mucheche saka shinga" ... ndakatoona hangu kuti mother vangu ava vaive murima,, zvekufa
kwamama ndainge ndakatozvigamuchira kare hangu kuti ndozvavepo. Nyaya yaitondiondesa ndeya
Melo ainge oda kuita chipfukuto muhupenyu hwangu apo kurwadza kwazvo aive mwana wamai vangu.
Zvekutaura zvaindinetsa ini. Ndakazongonyepa hangu kuna mother kuti ndainge ndichiri kufunga
mama.... ko ndaigovatii? Takabva taparadzana ivo vaakupinda mugate ini ndokupfuurira mberi
nerwendo rwangu.

Pandakasvika kumaraini kwana mai Mhofu ndakabva ndaona door ravo rakavharwa ndikaziva kuti
vaisavepo... ndakatozvifarira nekuti ndaisada kuonekwa navo ndichipinda pamba apa. Ndakasviko
nocker gate asi hapana akadaira.. ndakanocker kanenge ka5 ndopandakazonzwa nechemukati kunzi
kwee-kwee ndikaziva kuti munhu aiuya kuzovhura gate. Ndainge ndaakupishana nepfungwa manje kuti
zvino munhu wacho paanovhura gate ndomuti ndiri kuda kuona ani? Akabva avhura ndokunditi pindirai
nechemukati. Ndakambotya ini kupinda nekuti ainge asina kumbondibvunza kuti
ndaidei..Ndakazongoita zvivindi zvinenge zvambuya nehanda kurwira nyika varume varipo, ndokupinda
mukati achibva avhara gate. ndokubva ndatanga kumuteera hangu ndiri mumashure.

Musikana akandivhurira gate aive katete tete ari mutema tema apo ainge akapfeka kashort katiki tiki
kanenge twumwe twaimbopfekwa naMaini Melo kumba... kungoti zvamainin zvaive nani nekuti vaive
vakati tsvukei vaisave nemakumbo matema kudaro. Muromo wainge wakazorwa lipstick yered zvaibva
zvamuita kuti aite kunge kashiri kaye kanonzi kukurwizi kane muromo mutsvuku kari keblack.
Ndozvaaive akaita musikana iyeye apo mumusoro mainge muine zikuweave rainge mop.. apo aive
nemaziso ainge akati kurei zvekuti mwana mucheche akamutarisa aigona kungorohwa nebuka....

Ndakacherechedza pamba apa ndokuona kuti paive nehutsvina husingaite apo mamwe mawindow
ainge akaita zvekunamwa nemaplastick,, yard yainge yakangoti bvuu mapepa nemarara. Ndakatoshaya
kuti pamba apa paigara vanhu vapenyu here kana kuti paigara zvipoko nekuti iiih paisaita hama wee.
Ndichifamba kudaro ndainyatsonzwa munhuhwi weweti mumadziro memba,, hey ipapo ndakabva
ndatongohetsura painge pasina plan. Musikana uye akabva andipa kabench zvikanzi garirai apa mother.
Ndakagara hangu iye ndokugara nechepamusiwo asi ndaingonzwa kutaura kwevanhu mukati ndikaziva
kuti paive nevamwe vanhu mumba. Akabva agara akavhura hake makumbo ake asingatombogaye...
Akabva atanga kutaura zvikanzi "eeh mother muri sei ini ndoitwa Jane?" Ndakabva ndafunga chop chop
ndokubva ndamuti ndoitwa mai Chipo ndine mafuta andinobva nawo kuZambia andinotengesa so ndiri
kutsvaga vanomada then totaurirana kuti ndouya nawo riinhi" Akabva ati OK mirai ndideedze vammwe
vangu vari mumba ndovanoda zvekuzora zora izvi ini ndingatoda anozorwa kumasele uku kuti akure
nekuti muri kungoona kuti sele yangu eish ma1. Akataura achiseka asingambogaye hake ndokubva
atanga kufamba achipinda mumba kunodeedza vaaiti vanomada. Zveshuwa paaifamba ndakamboda
kuseka nekuti kumashure uku kwainge nhopi iri mupaperbag kwaive kwakati fototo...

Akazobuda mumba umu akadungamidzana nevamwe vaiita kunge vakadzi kunge vasikana vaive vaviri.
Zvaisada kubvunza kuti vanhu ava vaiita nezvei because vaitooneka kuti dzaive pfambi. Ndakabva
ndangoziva kuti ndaive pamusha paana sisi dhori." "Ladies ava vanonzi mai chipo vanotengesa mafuta
ekuzora amunoda aye ekutsvukisa" .. akadaro Jane uye achindi introducer kumadzisahwira ake maviri
aya. Ndakabva ndanyatsoona kuti vaimazora shuwa nekuti umwe wacho face yaive fanta makumbo ari
coke , ndikaziva kuti aizora... umwe wacho ndiye aingovewo nemadzvanga madzvanga makumbo ese
aya. Ndega ndakangoti zvakaoma. Apo team racho raida kupfeka tuhembe twudiki.. umwe wacho aiita
kunge munhu wekudrawer nekuti kahembe kacho kainge kakaita kunamirana naye apo ndiye aive
akaita coke fanta iyeye,, shame.Ndakavaudza kuti ndaingoda kupihwa order then ndozovaigira
vakatenderana nazvo. Vakabva vatanga kundipa list ye type yemafuta avaida apo ndaisambozviteerera
hangu maziso angu aitove busy kucherechedza pamba apa.
Ndakabva ndavati ko kuseri uko hakuna vangamade here mafuta zvikanzi aiwa vakadzi tiri 3 panapa
kuseri uko kunogara blaa Jodzaa murasta plus havaite zvekuzora izvi vanotori nemadhiri avo
avanoitawo kuseri koko kune room yavo. Hana yangu yakarova zvisingaiti pandakanzwa kuti blaa Jodzaa.
Ndakabva ndatanga kufunga nyaya yainge yambotaurwa namother vainge vakandiruka nezuro.
Ndakatanga kuda Kuziva nezva blaa Jodza ava ndainge ndave shuwa kuti ndovaitaurwa namai vaye.
Ndakabva ndati "howo ko havana mukadzi here?.. Jane uye akabva atanga kutaura zvikanzi Blaa jodzaa
munhu wemadhiri havadi zvevakadzi asi vanongoita madhiri avo as long pachibuda mari plus havaswere
pamba vanoita zvekugezesa mota kwaGazaland uko ndokwavanoswera. Ndainge ndoda kuziva kuti
madhiri eyi avaitsikisa kuseri ikoko? Ndakazoonekana nana sisi vaye ndikavaudza kuti ndaizouya neorder
ravo anytime. Pfungwa dzangu ndainge ndotoda kunoona mother vaye kuti vandibatsire
nezveinformation kuti blaa jodza vavaireva ndivo here vainzi vanoita zvekugeza mota kwaGazaland
avaaaa......

CHAPTER 14

Ndakanyatsoona kuti rasta vaitaurwa ava ndivo vaive nechekuita nenyaya yangu saka ndaida kumaker
shuwa kuti ndawana information yese kwavari even though ndaishaiwa hangu kuti ndinotangira pai.
Ndakafamba musoro uchiita kurema uyu ndisisazive chekufunga.Ndainge ndangove mutumbi wakatsiga
musoro nekuti mudehenya mangu mainge makazara mibvunzo yandaishaya anopindura.Ndaitoona
hangu kuti shasha mbiri idzi dzaitondiona senge munhu wavo.... vainyepedzera kuuya kumba vakasiyana
vachiita kunge vasina kubva kumwechete havo ivo vachibva kunosasana zvavo nxaa. Melo pese
paaisvika kumba aitoita kunge munhu akaneteswa nemabhuku izvo vaitobva havo papalace pavo apa.
Aibva atoti maswera sei bamkuru kwakurisei kubasa? Ivo vaibva vatodairawo kunge munhu aibva
kubasa. Zvese izvi ndaizvifunga hangu ndiri munzira kudzokera kumba nekuti ndainge ndaita
kakuvhurika manje mupfungwa kuti vanhu vaitove ma love birds ini mai nhiya ndiri murima hangu.
Ndakatanga kuzvishora nekunonoka kuona kwandainge ndaita nekuti vanhu vacho vanenge vainge
vatove magogodera chaiwo pagame yavo iyi, vainge vatojaira.

Ndakasvika pasaloon vamother vekundiruka ndichida kuvaona maererano nezvenyaya yangu


ndokuwana paine mwana wacho ivo vainzi vainge vaenda kutown kunohodha mabraids nemaweave...
ndakabhoikana zvekuti nekuti ndainge ndatononokerwa nekuda kubvunza nezvabla Jodza. Ndakasvika
hangu kumba ndokunanga mubedroom mangu kunorara.Tadisa ndakamuwana ari busy kubikana
nemahumbwe ake ndokumusiya akadaro. Ndakasvikozvambarara pamubhedha ndokutanga hangu
kufunga kuti asi zvinhu zvinombodarirei muhupenyu.Murume wangu ndaimuda nemoyo wese asi apa
ainge ondicheka nerakagomara... Melo munin'ina wangu ndaitoshaya kuti why aindidaro shuwa,,
ndainge ndakamutadzirei wo hangu ini kusvika pakuda kundiparadzira imba. Ndakatanga kuchema
ndichingofunga hangu nezvechiitiko chaiitika mumba mangu ichi. Kana kuri kutsuura ndainge ndototya
hangu kunyenamirwa ini... vamwe venyu mogona kufunga kuti ndaive ndakapusa asi vanhu tinozvarwa
takasiyana mufunge,, ini zvekutaura ndaisazvigona hangu kana ka1... ndaive ndakangopora pora
zvaitobhowa zvekuti I still remember Tadisa ari mucheche aiwanzochema husiku zvisingaite zvekuti
ndaigona kutadza kumunyararidza kusvika ndaakuchemawo. Ndozvandaive izvozvo ko ndoaive
masikirwo angu ndaigozvidii.

Ndakazopedzisira ndarara apo misodzi yainge ichingoyerera. Ndakazopepuka ana Mr and Mrs vepamba
pangu vatodzoka apo kunze kwainge kwatoti svibei.Ndakaenda kukitchen ndichinotarisa kuti mainin vari
kubika here ndokuona mukitchen iri zero zero. Ndakabva ndaenda kuroom kwake ndokuwana sisi
vakatorara nemanhede zvavo maearphones ari munzeve." ko mainini madii kusanobika zvamunenge
makatorara henyu?" ... ndakabvunza hangu. "Ndingafembere here kuti mamuchida kuti ndibike ?"
akadaro hake mwanasikana achibvisa earphone rake 1 munzeve... Ndakabva ndatoona hangu kuti
shabhani yainge yakadzora mwando. Ndakabva ndangosiyanawo naye ndokunobika hangu... ndainge
ndotosvotwa naye hangu moyo murefu wainge wosvika pakupera. Baba Tadisa taisanyanyoita nyaya
tese um we neumwe aingotamba yake.Ndaitoti kana ndafunga nyaya ndaitaura naTadisa hangu.

Ndakazopedza kubika ndokupakura sadza Melo ainge akangozvivharira muroom make handina kuda
kumbomudeedza ini nekuti twekwangu twaivewo kure zuva irori. Ndakangosiya ndavhara sadza rake
ndokunopa baba Tadisa ravo. Ndichipedza kudya ndakangosuka maplates angu nekunorara because
ndainge ndakatobhoikana. Ndichangoti rarei phone yangu yakabva yapinda message ndichibva
ndaivhura. Ndakawana iri call me back yainge yasendwa nenumber dzabamunin vangu vaye vaigara
kumusha apo ndaisave kana neetym . Ndakabva ndanokumbira baba Tadisa kuti vandipewo dollar
rekunotsvaga etym zvikanzi handina. ndine yakabatana. Ndakabva ndatongokwereta nekuti ndaifanira
kunzwa kuti bamunini vaidei plus ndivo baba vandainge ndasarirwa navo ivavo saka ndaitofanira kunzwa
chichemo chavo.

Ndakazokwereta 50cents muphone mangu ndokuphonera bamunini kuti ndinzwe kuti vaidei.
Ndichingoti haloo ndakanzwa mainin vachipfikura pafon zvikanzi "Talent mwanangu babamunini vako
varumwa nenyoka vachibva kunotsvaga mombe apo hatina kana mari yekuti vaende kuchipatara tiri
kutodawo rubatsiro rwako. Iiiih ndakanzwa moyo wangu kuenda madenga nekurwadzirwa baba vangu
ava. Zvaitoreva kuti ndaitofanira kuenda kumusha kunovaona zvese nekuvaedesa kuchipatara apo ini
wacho ndaivewo wanga hake asina kana mari.

Ndakazoudza baba Tadisa kuti ndozvaivepo haana kunonoka kuburitsa mari zvikanzi utogadzirira
mangwana uyende kumusha kunoona baba. Ndakabva ndaziva kuti kuenda kwangu kwaitofarirwa
nevaviri ava nekuti vaitozonyatsoona tym yakanaka yekunyatsosasana. Kuti ndisaende futi zvaisaita
nekuti ndini ndaitotarisirwa kumusha kwacho. Kuti ndiyende naMelo zvaisaita aive maschool days.. .
ndopandakaona kuti zvinhu zvine manyemwe shuwa. Vharazipi akadaro akati zvinhu hazvidi vanhu zvine
manyemwe!!!!

Ndakatoziva kuti maplans angu ainge atoenda mudondo ende vanhu vaitozosara vachichatisana havo
mumba mangu....painge pasina zvekuita ndaitofanira kuenda. Ndakazorara ndatorongedza kamutundu
kangu nekuti ndaida kuzomukira makuseni seni. Ndakanoudza Melo kuti bamunini varwara kumusha
uku akangoti hoo munonovaonawo nepangu... ndakabva ndangomuti aiwa patsvene musare bhooo
ndinodzoka kuswera mangwana. Aitoratidza kuti aisave nehanya nekurumwa kwababa saka
ndakangosiyawo zvakadaro ndookunorara hangu nekuti ndaida kuzokasira kumuka sezvo ndaive
nerwendo.

Ndakazomukira kumusha ndokuwana gumbo rabamunin rakaita danda kuzvimba ndichibva


ndatongoenda navo kuchipatara kuMount namainin. Sezvo ndaive ndapihwa mari nababa Tadisa
hazvina kunetsa takabva tangoenda tese tiri three kuchipatara kwacho. Vakasviko baiwa mainjection
zvikanzi vaifanira kumboita bed rest zvichireva kuti vaitofanira kurara muchipatara husiku hwezuva iroro.
Takazonora panze namainin paingove nezvimabench apo kwaive nemosquitoe dzisingaiti... dzaiita
kutipururudzira luck ndainge ndasiya Tadisa kumba. Mainin vakabva vandibvunza zvikanzi "ko
mwanangu hindava kuonda kudai mazuvano kuri ryt here kuHarare uku. Ndakatoona kuti ndikada
kuvanza zvaisandibatsira ndakabva ndangovatsanangurira zvaindidya pfungwa. Pandakapedza kutaura
vakangotura befu zvikanzi "zvakaoma mwanangu,,, Melody haanzwe uyu paaive kuno aipengesana
nemwana wasabhuku uyu Jokoniya anogara kumhiri kwerwizi hant unomuziva?" ndisati ndadaira
vakabva vati " izvezvi mukadzi wake akatoenda Njanja kumusha kwake uko mushure mekunge arwa
naMelo murume wacho akazowedzera kumurova kusvika aenda kumusha kwake" .... iiih ndakaita
kupera power nenyaya yandainzwa iyi apo mama vainge vasina kumbobvira vandiudza pavaive vapenyu.
Ndofunga vaisada kuti ndizonetsana naMelo hameno .... Ndakabva ndatoona kuti Melo aive member
yaida kuparadza dzimba dzevanhu. Ndakapera simba nenyaya kusvika ndisisafunge kana chinhu
mumusoro mangu zvainge zvakanyanya izvi mmmm......

CHAPTER 15

Ndainge ndangotsikitsira pachibhenji chatainge takagara namaini ndichizama kufunga kuti chili chaizvo
chaida kuzama kuitika muhupenyu hwaMelo. Ndaisimbonzwa vanhu vachiti nherera zhinji
ndodzisinganzwe, ndifunga kuti kunyepa asi ndakazonyatsotanga kuzviona kuti ndicho chaive chokwadi.
Melo kana riri dhimoni rechihure rainge rakaita kumupfeka katatu chaiko nekuti iiih nyaya dzake
dzaitopedza simba. Aive munhu aisatombochengeteka hake zvamuchose apo aisateerera... kwaaiita
ndokunonzi kutsindira mwena unobuda ishwa dzaida kubata. Ndaitozama kufunga kuti aimbove mwana
wamai vangu chaivo here vekundibereka kana kuti vainge vakachinjirwa muchipatara nekuti hunhu
hwake nehwangu zvaisatomboenderana zvamuchose... we were just like parallel lines. Ndakaona hangu
kuti ndosaka aisafarira zvekuenda kuchurch izvi nekuti aive nechainge chakamugara,, ende type
yemadhimoni aana Melo ndoaye ekuti rinosara pamusiwo kana iye aakupinda muchurch zvekuti
anononamatirwa akadozunzwa asi hapana manifestation inoitika.... rinenge riri demon rekwamberi
chairo. Ndainge ndatosviba moyo naye ini and ndaitoziva hangu kuti aitorara nababa Tadisa. Painge
pasingachadi tsananguration dzakawanda apa ndainge ndazonyatsovhurika hangu ndikaona kuti ndini
ndaitoitwa fuza.

Baba Tadisa ainge andirwadzisa kusiya moyo wangu uine ronda hombe chairo. Ndainge ndotonzwa
kumuvenga chaiko zvekuti dai mai vangu varipo handaimboswerera kutaura naye. Ndakatanga kuona
hangu kuti Melo aisabata mimba nekuti aidzivirira pamuviri zvinova zvaitoratidza kuti munhu ainge
atove gogodera munyaya dzevarume and handifunge kuti mwana wasabhuku ainge ari iye wekutanga..
Melo ainge atove mvana sikana pachezvake hapana chaainge akasiyana neni ndaive nemwana kungozoti
iye aisave naye hake. Ndakatoona kuti mai vangu musoro waivarwadza dzimwe dzainge dzatove stress
dzekusateererwa naMelo.

Kwakazongochena ndichingobwaira bwaira hangu nekuti paisararika kana ka1. Bamunin vakazoburitswa
kuma 10 ndokupihwa mapiritsi ekunyaradza marwadzo. Takananaidzana navo namainini ndokukwira
kombi todzokera kwedu kwaRuocha. Ndakasvika mwana wangu achitotamba hake nevamwe ndokubva
andimhanyira paakandiona... Ndakanzwira mwana wangu tsitsi kuti aive nebenzi rababa... munhu aiita
moyo wakaremberera sehuku,, ainge otondibhowa ini. Ndakatanga hangu kufunga kuti dai ndisina
kumboroorwa naye zvangu pamwe ndaidai ndave padanho riri nani, asika dai haibetsere hama dzangu.
Shamwari yangu Charity wandainge ndakadzidza naye ainge atove manager wemashop eumwe muIndia
aive nemashop aitengesa jewellery nemicheka. Ndakatanga kuona hangu kuti umwe wangu ainge atove
nani pane ini ndainge ndakasarudza kuita zvekuroorwa. Varume hapana zviripo mufunge,,

Mangwana acho ndakazofumo enda pamba pevabereki vangu painge pangove padongo... musha wainge
wotoparara. Ndakaenda kwaive nemakuva evabereki vangu ndokunochema ndiriko ndichipedza shungu.
Ndakapfugama paguva ramama iro rainge rangove masora ndokutanga kudemba ndiripo... "Mama
handichaziva zvekuita ini,,honai Melo wamakandisiira kuti ndichengete ave kuparadza imba yangu, zvino
ndinochemera ani nhai mama"... Ndakachema kusvika shungu dzapera ndokuzoenda kumba.Ndakawana
mainin vatopedza kubika nekuti ndaida kutodzokera kuHarare same day and ndakatobva ndavaudza kuti
handifunge kana ndaizonogara kuHarare kwacho saka vaifanira kuzonditarisira ndaakudzoka nemabag
nekuti imba yainge yandikunda.Mainini zvakavarwadza kusvika pekupedzisira asi hapana
chavaikwanisawo kuita. Vakati vaizosara vachitsanangurira baba nyaya yese kana gumbo ravo richinge
raita zvirinani nekuti taisada kuvanetsa. Ndakazoperekedzwa kuroad kwaikwirirwa makombi namainin
vachingondisimbisa asi zvaisabetsera nekuti mvura yainge yatodeuka kare. Hapana chinhu
chinoparadzisa hukama sekutorerana murume pahukama sezvandainge ndaitwa naMelo izvi... pamwe
dai aive munhu wekunze zvaisanyanyorwadza asi mwana wamai vako here shuwa??

Kombi yakazouya ndokukwira nekamwana kangu asi pfungwa dzaiita kuchovha bhasikoro rendangariro.
Ndakasvika muHarare kuma past 4 dzezuva rovira. Ndichangoti dzikei kombi ndakabva ndaona mai
Panashe vaigara pamba pedu vachitotengawo matomatoes pazvimusika zvaivepo . "Titambire ka
vekumusha vange vari sei baba?".. vakadaro maPanashe vachiuya pandaive kuti tibatane nzira. "Vave
nani havo takavaendesa kuchipatara vakanopihwa mishonga yekureducer pain"... ndakadaro
taakufamba. " Aiwa tinotenda Mwari shuwa kana vave nani, vakadaro mai Panashe ndokuvabvunza kuti
vainge vakasara zvakanaka here namaini... vakabva vambokosora ndokuzoti " mmmh madzimai
muchenjere kutorerwa murume namainini nekuti kamutambiro kavaiita vese manheru
ndaisakanzwisisa hangu. Eheka ko vaitadza nei havo kuzvinzwa hant madziro ainge akangobatana here
sezvo tailodger pamwechete. Ndakabva ndangoziva kuti imbwa mbiri idzi dzakasara dziri
pasadaka.Ndakaita sendaive ndisina kunzwa hangu zvainge zvataurwa namai Panashe nekuti ndainge
ndatoneta hangu nehumbwa hwaMelo nababa Tadisa. Ndakazosvika kumba ndokuona mumba muri
bvuu kubva kukitchen. Kuzoti mubedroom mangu, pamubhedha painge pakabvanganyuka kuratidza kuti
ndopaigadzirisirwa chivanhu chacho. Ndakatanga hangu kunhonga nhonga zvinhu nekutsvaira mumba
nekuti maisagarika nejunk yaivemo. Ndakazotanga kutsvaira musitting room ndokubva ndawana
kabhurukwa kemukati kamainin Melo kari pasi petable.Ndakakatora hangu ndikaziva kuti hapana pasina
kutambirwa mutambo wavo uyu nekuti imba yese yaingove bvuu. Ndakakatora ndokunokaisa paive
nephoto rababa Tadisa riye . Ndakatotanga kuenderera mberi nekutsvaira hangu nekuti kana simba
rekuchema chairo ndainge ndisisina... ndainge ndagurwa kunorira. .. Ndainge ndangomirira kuita final
decision yangu saka ndakanyatsodzikama hangu sepasina iripo ndokuenderera mberi nekucleaner
mumba. Ndainge ndisisina basa nembwa idzi ......

CHAPTER 16

Ndakazopedzisa kutsvaira hangu,, mumba mainge mopinda mhepo iri nani ndokutanga kubika
ndakamirira hama dzangu mbiri idzi. Ndainge ndaakutoziva hangu hunhu hwavo saka hapana wandainge
ndichiri nebasa naye. Ndainge ndaakutoona kumberi uko ndichirarama life yangu ndiri kumusha kwedu
ndichirima garden namaini nabamunin .. ko pamba pangu painge pasisina chekugarira ka,, ko hant
ndainge ndisisadiwe plus ndainge ndaovertekwa nevanogona. Ndainge ndisingadi kuvabvunza
pavanouya asi shungu dzangu dzaida kuti ndivabate mbune kuitira kuti vasazoti ndaiita zvekufungira
zvinhu zvisina evidence. Hapana kana wandainge ndichiri nehanya naye pavanhu vaviri ivava
chandaingoda kuvawanikidza chete kuitira kuti vanyare then ndorongedza mabhegi angu ehembe
ndodzokera kwaRuocha nekamwana kangu.
Kwave kumapast 6 Mainin ndovakatanga kuuya ndokutovamhoresa bhobho but mhinduro yacho
yandakapihwa ndoyaibhowa hanzi " ko munongonyuka kunge mhute sei nhai sisi Tale ko hamuna
kumbondifonera wani kuti mukudzoka nhasi?" ,,, Eheka ndainge ndototongwa mumba mangu nevagoni
havo, ndakangoti fon yainge isina moto ndokunyarara hangu. Ndaitoshaya kuti aigondiudza kuti
ndinongonyuka kunge mhute iye munhu wandainge ndakaoneka mushe mushe kuti ndiri kudzoka
kuswera mangwana? Ndakangoti zvakaoma... ende kana chinonyarawo kuti mumba mavainge vasiyawo
muri junk mainge matsvairwa hapana,, akatopfuurira achizunza twuchivakashure twake zvainge zvekuda
kusvotesa chaizvo.

Kuenda kuchikoro ainge ongoendera chirango hake nekuti zvemabhuku chaizvo zvaitomuvhiringira
hupenyu hwake. Iko kunonoka kuuya ndaiziva hangu kuti ainge arikubva kupalace kwavo kwablaa Jodza
kwavaiitira mabasa avo erima,, ko hant vaiziva kuti kumba zvaisaita ndainge ndaveko.Baba Tadisa
akazouya pave paye zvake ndokungondimhoresawo achibvunza bvunza zvekumusha asi ndaitozviona
kuti munhu aingonyara nyara.. ndaitongoti zvangu nechemumoyo uchanyatsonyara pandichakubata uri
musvo nakamainin kako ikako.Iko kuzoda kundiitira kaskiri kavo kekuda kuswedzana namainin Melo
vachiita sekunge vaisabva kumwechete ndokaindibhowa.Hapana chinhu chinonakidza sekuitirwa zvinhu
zvakadai vanhu vachifunga kuti wakavharika iwe uchiziva hako yese iri kutambika.Ndaitosvotwa hangu
navo ini. Ndakangobika samazuva ese,, ko Mainin zvekumapoto vaisazvida ka kwavo kwaive kurara havo
kana vabva kuchikoro maearphones akanzi ndoo munzeve.

Ndichipedza kudya ndakanorara hangu ndainge ndakatozvineterawo hangu plus stress chaiyo yainge
yakanyanya. Ndaitobhoikana hangu kuti dai baba Tadisa akasatorara mandaive arare hake kuroom
kwaMelo nekuti ainge ondisemesa nezviito zvake. Zuva iroro ndakapfugama ndichida kunamata asi
ndainyatsoshaya mashoko ekududza ndakangozoti Mwari kuda kwenyu ngakuitwe ndinogamuchira
zvese.Ndakarara hangu ndokusiya hama mbiri dzichiona Tv ,, ko ndainge ndichiri nebasa nazvo here...
ndakangoti hamenooo chero dai vaisara vachigadzirisa chivanhu chavo nyangwe kubatisana mikaka yavo
ndainge ndisisina dhiri nazvo ini.

Mangwana makuseni ndakaita basa rangu nekukasika ndokusiya mwana wangu achitamba nevamwe
ndiye tande kuchisaloon cha mother vaye. Ndaingove nefeeling yekuti vaigona kungondibatsira
zvandaida.Ndakasvika varipo vakatogara havo pavakangondiona kwakutotanga kutaura,, apo vaitaurisa
futi kuita kunge munhu akamedza karadio."Muri sei askana asi kudzoka mandiwanira imwe customer iri
kuda kurukwa here ende ndingafare izvezvi handina kana mari yemuriwo wemanheru apo murume
wangu haasati andiisira mari yemantainance yevana muaacount mangu,,manje akada kutamba neni
ndomusungisa haandizive mushe ndinonzi Regina ini ndiri chihera akazara" Yoooooo ndakapa kutenda
hangu mai yaitaura iyoyo ummmh ndaitoshaya kuti zvese zvavaitaura izvi zvaive nebasa rei apo ndainge
ndisati ndatombovamhoresa.Ndakazovamhoresa hangu ndokuvatsanangurira nyaya yangu nekuvaudza
kuti ndaida kubatsirwa navo kuti vanondibvunzira blaa Jodza kuti vanhu vangu ava vaipinda nguvai
mupalace mavo umu then ndovataimira ndovabata red handed. Ndopaive neshungu dzangu
ndorongedza mabag angu ndoenda kumusha.Ndichingopedza kutaura vakabva vatotanga kutaura
zvikanzi " aagh izvo chete here madzimai zvishoma izvo ndonyaya dzandotorwaririra ini blaa Jodza
havandinetse vaye ndovatamba yandakambotamba um we murume paMufakosi apa,, ndonzi chihera
kaini haandizive mushe rasta uye.Aagh mai vaida kutaura havo ivavo ndakasurender. Ndainge
ndangovaudza kuti musikana wamaitaura uye ndiye ari kudanana nemurume wangu saka ndaida kuti
vandibatsire kuferefeta Blaa Jodzaaa then toziva kuti vaizoenda mumba macho nguvai ndovateera.
Ndainge ndisina kuvaudza kuti munhu wacho aive munin'ina wangu saka vaitonzwa jinja kuti dai tabata
kasikana ikako... vakazondipedza hanzi kana muchida kuti ndikuroverei kamusikana kacho ndozvigona
futi ndokusoterai munhu wenyu bhobho kusvika ati baba nemuridzo....Mai vaida kutenga nyaya ivavo
yooogh,,, kungoti ndaida hangu rubatsiro rwavo but hey munhu wacho wandaidealer naye aitove
mhepo yaNyamavhuvhu....

Vakazosiya vavhara saloon yavo zvikanzi handei nekumba kwangu ndichinochinja then tozoenda
kwaGazaland kunoshandira Bla Jodzaa.Ndaitoshaya kuti saka hembe vaida kuchinjirei manje nekuti
dzavaive vakatopfeka dzaive bhoo. Vakatozviona kuti ndainge ndototadza kunzwisisa zvikanzi handei
madzimai mukudealer nachihera, imimi tarisai chete muchingoteera,, nyaya yenyu idiki chaizvo iyi
manheru munotorara matopedza nyaya yenyu.Ndakangoteera ko ndaizvidii. Vakapinda mumba mavo
ndokusara ndiri panze,,, pavakabuda vainge vachinja hembe vapfeka dzakanaka zvekuti
ndakatombovashaya....vaive vapendekera handbag zvino kumeso kwapodwa zvikanzi ngatichiendai
manje.Ndakatoshamisikawo nazvo ini ndikapedzisira ndabvunza kuti tainge tichiri kuenda kwaGazaland
here kwavainge vachenera kudaro.Vakabva vaseka havo zvikanzi nditeerei chete mai nhanha ndiri kuziva
zvandiri kuita.

Takapinda munzira sezvo kwaGazaland paive padhuze,,paito fambika netsoka saka hatina kunonoka
kusvika.Sezvo ivo vaiziva paigezera rasta vaye mota takangonanga ipapo ndokutoona munhu ari busy
nekugeza mota. Tichingosvika mother vaye vakangoti "Makadii henyu mukuwasha ndinokumbirawo
kutaura nemi 2 min.Nekuchena nekupoda kwainge kwakaita mother vaye rasta havana kunonoka kuuya
ndofunga vaitofunga kuti I customer hamenoo.Ndakangoona mother vaye vaakuflasher kainge kaID
pamberi parasta ndokudzorera muhandbag zvikanzi " Ryt,, mukuwasha ini ndiri Private investgater,, we
have been searching for you kwenguva yakareba and ndine macomplains akawanda evanhu ekuti muri
kuita basa rekushandisa room yenyu muchibhadharisa vanhu vachirara imomo.Apo mune mhosva futi
yekuti vamwe vacho vanenge vari vana vechokoro vanenge vachiuya nemadhara"... ndakaona rasta vaye
vaakuhutisa miromo yavo iyo yainge yakasviba kuti ndoo ndofunga kwaive kuputa mbanje
hameno.Mother vaye vakaona kuti munhu ainge ave kutya ndokutanga kuwedzera zvikanzi mukada
kutraya kutiza izvezvi mairasa nekuti nditori nevamwe vangu vakadyarana dyarana ipo pano saka
musazvitrayer munorara mave mujeri" Yoogh ndakashaya kuti mother ava zvivindi zvavo vaizviwanepi.
Vakabva vati kuna rasta vaye "Ndri kuda kuziva kuti murume wamai vandiinavo ava anonzi Andrew
anosiuya nemwana wechikoro kumba kwenyu momuziva here?".. Rasta vaye nekutya kusungwa
vakabva vatanga kurudunura zvese...

Vakabva vatanga kutaura zvikanzi " Andrew ndomuziva aisimbouya nemusikana wake anonzi Melody
but ikezvino vakachinja havachashandisa room yangu vaakuenda kwamupfanha Lucky nekuti pane
munhu ainge avatipira rimwe day so achiti ainge aona mukadzi wacho ari kumaraini kwedu saka kubva
ipapo vainge vasisashandise room yangu nekuti vaitya kubatwa.Ndakabva ndaziva kuti ndosaka ndisina
kuvabata musi wandakanotandara kwamai Mhofu,,, iye ainge avatipira ndiye wandainge ndoshaya kuti
ndiani??? Blaa Jodzaa vakabva vati kana muchida kuma past 5 ndokuratidzai pamba pamupfanha Lucky
munovabata asi musandisungisewo pliz ndaitsvaga mari....

Takabva tatogara ipapo nekuti ndaisada kurasa umwe mukana wekubata vanhu vangu ava.Takazoswera
takagara paigezera rasta vaye mota kusvika 5 dzakwana apo nzara yainge yondipfidzisa asi
ndakashingirira plus ndainge ndofunga mwana wangu nyangwe hazvo ainge asara kwamai
Panashe.Rasta vainge vatogarawo ndofunga vaitotya havo jere uku mother vaye vaingondikwenya.
Ndakavatenda nechemumoyo nekuti dai ndaive ndega handaimbozvikwanisa.Vainge vakangwarira
zviripo.......

Takazodungamidzana toenda kwacho kwainzi kwaLucky ndokumirira tiri nechekure.Pasina nguva


ndakaona uyooo Melo nekauniform maearphones ari munzeve achinovhura gate pamba paye.Mmh
ndakatya nehunhu hwaMelo uyu,,, chipfambi chaive chakamugara. Tym tym ndakaona baba vekwangu
vaakuendawo pamba paye kana kusanyara... vaive neumwe mukomana watakaudzwa naBlaa Jodza kuti
ndiye Lucky wacho but haana kupinda akangogumira pagate ndokubva vapanana big up, baba Tadisa
vachibva vapinda mukati iye aakuenda .Zvese izvi zvaive mumaziso edu tiri vatatu apo ini musodzi yainge
yatojenga mumaziso. Blaa Jodza vakabva vati ndaakukusiyai chipedzeranai nevanhu venyu hant maona
pavapinda.Takabva tavasiya vachienda ndokumbosara takamira namother vaye....

Mother vaye vakazoti ngatichipinda mukati manje tinovabata chete apo ini simba ndainge ndisisina
hangu ndaingonzwa kuda kuchema. Takavhura gate zvinyoro nyoro sezvo tainge taudzwa naRasta kuti
room yavaishandisa yaive nechekuseri hatina kunetsekana. Takanyahwaira ndokuenda kuseri kuye luck
paisave nevanhu plus paisave nembwa.Takasvika pamusiwo ndokubva ndanyatsobata handle ye door
pore pore ndokubva ndangoriti bherengende kechihwani ndokuona haikona kani.... Paye pekunzi
unochema kana kufenda inhema dziye,, ini ndainge ndangotuzura ndakatarisana nehama dzangu idzi
apo vaitove mumabirth suits avo vana vevanhu ,,, mother vangu vaivewo paside havana kana kunyara
kupinda . Veduweee dai kunyara kwainyunguditsa vaviri ava vaidai vakaita kupera,, apo wangu
munin'ina ainge angozvivhara neka uniform kake,, bambo vekwangu vainge vakazvivhara
nesheet.Ndakabva ndatanga kutaura zvaive pamoyo pangu manje apo misodzi yainge yochinyatsobuda
zvino.......

CHAPTER 17

Ehe hazvaiita kuti ndisacheme nekuti hapana chinhu chinorwadza sekubata munhu waunenge uchiti
murume wako akarara neumwe mukadzi,, apa zvaitorwadza worse nekuti aive munin'ina
wangu.Ndaimbozama kushinga veduweee kuti ndisacheme asi apa misodzi yangu yakaita kuyerera
chaiko. Baba vekwangu vainge vangoti mvumvuva pachimubhedha chemumba muye
vakatsikitsira...ishuwa kuti nyadzi dzinokunda rufu hamaweeee,,Andrew ainge aakungoita kunge
horomba yegudo ari pamubhedha paye ndakamutarisa nemaziso azere misodzi.Melo akabva asendeka
zvekunyara paside ndokunditarisa nerimwe ziso raitaura rega kuti saka zvawatibata wange wafunga
kudii?...uyo ndakambosiyana naye hangu ndaida kumbopedzirana nabambo vekwangu ava.Vanhu
vazhinji chavasinga zive ndechekuti nyangwe zvinhu zvikaitika vanhu vakahwanda sei,the truth will
always remain the truth!!.Chokwadi chacho chine manyemwe dzimwe nguva nekuti chinototsvaga way
yekubuda nayo chete..ndozvaisazivikanwa nehama dzangu idzi.Ndakatarisa iwo mubhedha wacho
wavaive vari ndikatozvishaya kuti asi Andrew chii chaive chamubata shuwa. Murume mukuru kuuya
kuzobhadhara kamubhedha shungu ikako nekuda kuita chipfambi shuwa.Uyu aitoda Deliverance
yakasimba chaiyo.Chihera vainge vari zii havo vakamira vakazembera door ndofunga vaikokawo hasha
dzekurova Melo hamenooo...

"Baba Tadisa handaimbofunga kuti unga ndiitire zvinhu zvinonyadzisa kudai murume wangu ,,,
ndaifunga kuti ndakawana life partner asi ndaizvinyepera"...ndakadaro ndakamutarisa apo iye ainge
akangotsikitsira... kedu Melo kainge katodekara hako kakatarisa divi.Handidi kunyepa zuva iri
ndakademba kuti dai ndaigona kunyatsorova,,Melo ndaimusiya adambuka dambuka kuita mapiece..
manje ndaive ndakaota ota zvangu. Ndakabva ndavati "mese muri two magame enyu amaitamba
ndaimaona hangu asi maitoona kunge ndakapusa... musi uya baba Tadisa wakabuda nepahwindo
muroom maMelo ukafunga kuti wakangwara,, asi tsuro haiponi rutsva kaviri shamwari plus Mwari
havasi vemunhu one zvekuti zvinhu zvingarambe zvichingokunakira ,, nhasi chokwadi chese chabuda
ramba tinzwe?"... Ainge angodzikitsira musoro waakuita sewechidhambakura,, kana kusimudza dzoro
rake ainge asisakwanise nenyadzi. Ndakazonzwa mother vangu vaakuti Mai Tadisa ngatirovei kahure aka
mhani ukutambisa nguva ndipe permission chete ndishandire munhu manje manje anenge anaka uyo."
Vainge vatononokerwa chihera vaitonzwa kuda kutinha munhu size tsvene chaiyo asi ndakavati leave
her, she is my sister... aagh vakashamisika mother vaye ndokubva vati Whaaaat!!!!... Ndainge ndisina
kumbovaudza kuti Melody iyeye ainge adai kundiparadzira imba aive munin'ina wangu. Haa ndakaona
chihera voombera maoko zvikanzi " nhaiwe mwana ukati haushure iwe? shuwa ungarare nemurume
wasisi vako kana iro dhimoni riri pauri harina nyadzi nhaiwe?" Melo wacho ainge asisina kana nyadzii
achingominyura muromo wake zvekuda kusvotesa chaizvo.Ndakanzwa chihera vaakuti " aizveee ini
ndinokubhagamhura mazizino iwayo anenge mungai wadirwa mhiripiri ndikati hokoyooo. Akabva
adzikama ndokuti tyooo akangogumbatira kauniform kaainge akazvivharisa.

Ndakabva ndavaudza kuti kubva nhasi chiregai henyu kuita zvekuhwanda hwanda ndichakusiyai muri
two muchinyatsoshandisa bedroom yangu pamadiro... hapana kana aidaira vainge voita sevakanamwa
miromo ndokubva ndati " Melody my sister kubva nhasi ndiwe waamukadzi waAndrew nekuti
wandiratidza wega kuti u deserve him more than me saka aiwa asikana heyo murume wenyu uyo ini
ndaakumbosuduruka mulife yenyu nekuti ndinotokutadzisai kufara saka ndaakunorongedza mabaga
angu ndoenda kumusha hapana chekugarira". Ndakabva ndati kuna mother vaye ngatichibudai muno
vasare vachipedzisa chivanhu chavo sezvo tainge tangovapindira vari pakati. Ndakaona chihera
vaakudzungudza musoro vachiratidza kurwadziwa nazvo. Ndakabva ndatanga kufamba kuti ndichibuda...
ndaapadoor ndakabva ndavati ,one more thing,, kubva nhasi Andrew wave bamunin vangu sezvo
waakuzogara namainin Melo semukadzi wavo saka tozokuona mauya kwaRuocha kuzobvisa roora nekuti
haungogare nemwana wevanhu mahara and don't ever think kuti I will curse your relationship
ndinototiwo Mwari vakuitirei nyasha nesarudzo dzamatora nekuti ndivo vanoziva. Eheka inga bible
rinotaura wani kuna Romans 12 vs 14 kuti _Bless them which persecute you and curse not_ paverse ya
21 pobva pati zvakare _Be not overcome of evil, but overcome evil with good_.. Nemashoko iwayo
ndakabva ndabuda nachihera wangu ndonanga kumba ndokuvasiya vakadzvokorana mumba imomo...

Ndichisvika kumba ndakatanga kurongonora hembe dzangu muwardrobe ndichiisa muzimonarch...


Zvekuchema ndainge ndambosiya paside. Ndichiri pakati pekurongedza shasha dzakabva dzasvika,,
handina. kuda kumbotaura navo ndaingoita zvinhu zvangu ndiri zii. Melo akangosviko gara pasofa
Andrew ndokuuya mandaive zvikanzi "Talent kana wafunga kuenda unosiya mwana wangu
pano"Ndakambosiya zvandaiita ndikati as long ndiri mupenyu Tadisa haasare pano." Akabva asekera
svoto zvikanzi nyangwe ukadaro kumusha kwacho haukugare uchanofa nenhamo" Ndakaona hangu kuti
aitoda kundisvotesa ndikati " Hapana munhu wandakambonzwa kuti akafa nenhamo saka ndichanogara
ikoko ndichidya nhoko dzezvironda. Ndakatoona kuti umwe wangu aisatomborina basa nekuenda
kwangu, zvakandirwadza shuwa kuti saka yaive one sided love nguva yese iyi ndaifiririra kuda munhu
ainge asina basa neni? Mwari ndovaiziva havo....

Ndakapedza kurongedza ndokutora mwana wangu. Ndakasvika ndokuwana Melo achitonwa hake juice
akanyura musofa ndokubva ndamuti,, "by the way kabhurugwa kako ndakakaisa mudrawer riri
mubedroom mange muri mangu ikezvino mave mako saka wosara uchishifter ini ndakuenda ini asi
remember God will never forgive you.... akabva asimuka zvikanzi "sisi Tale maakuzondifinhura manje
musaite sekuti pane akudzingai panapa " apa aiita kutaura akandinongedzera nechigunwe. Ndakabva
ndabuda ndatoona kuti ndingapedzisire ndarohwa..
Ndakabuda ndokuenda kwaLandlady Vangu ndichida kuvaoneka.. Vakangotiwo kanha nazvo zvikanzi
ende ndarwadziwa ndakagara ndazviona kuti Melo inzenza. Vakangondisimbisa vachiti ndozvinoita
hupenyu ndaisafanira kunetsana navo maybe I wasn't destined for Andrew. Sezvo nguva dzaive
dzafamba vakati ndirare mumba mavo ndozomukira kwachena... Ndainge ndotorova pasi kuHwedza
nemwana wangu imba yainge yabvutwa nevakangwara.....

CHAPTER 18

Ndainge ndakarara hangu mumba maLandylady vangu umu ndichifunga kuti asi sei hupenyu huri rough
so..Ndaisada kuti mwana wangu akure asungazive baba vake ini asi iiih baba vacho ndovainge
vandigarisa mudhishi manje.Zvandakaitwa naAndrew ndokunonzi kutsikiswa babana manje nekuti
zvairwadza and tainge tisina kana 4 years takagara tese asi mumwe wangu ainge atosanduka kuita
gora.Zvongorwadza kuita single mother uchiri mudiki so and yes paakataura kuti nhamo
yaizonondipfidzisa kumusha aisanyepa hake ichocho chaive chokwadi chaive pachena manje,,nhamo
ndoyaitozono ndibvunza mutupo ndiri kumusha,Ndaitoona zviri nani pane kuitirwa mahumbwe
nemunin'ina wangu uyu apo kurwadza kwazvo uri mumba mako futi.Ndaishaya chaaindishora murume
uyu veduwee kana huri husmart ndaisaita hwaana Melo hwekutsvukira kunze chete pamuviri
pake,,ndaito garawo mumba muri smart kana pari pachiso ndaive ndakanaka nyangwe hazvo Melo
aizenge akandikunda.Ehe ipapo handirambe kuti Melo ainge akandikunda kunaka asi haisiriyo yaive
pasport yekuti andibvutirewo murume wangu ka nhai.. Ndakatanga kufunga mazuva andaidanana
naAndrew tichiri jaya nemhandara... aigara achindiudza kuti Tale i cant live without you..nxiii
ndozvinoita vakomana izvozvo mufunge vari shiit!! Varume vari rough havana zvavakambosiyana
nevakomana vemakombi,,,anokufarira uchiri panze usati wakwira kombi yake achikunyengerera asi kana
ukangopinda mukati vanotanga kukutenderedza tenderedza uka complainer zvonzi dai maida kukasika
kuenda kwamuri kuenda maidai makaenda nezuro... Ndozvinoita vanhurume vamunoona ivava
vanopfeka matrouse ava,,vanorwadza kunge chironda.....

Ndaizviziva hangu kuti mahumbwe aiitwa nehama dzangu mbiri idzi hapana kwaaisvika nekuti aya ainge
ari mahumbwe emoto asiri aye ekubika matakanana nevhu pasina moto aiitwa nana Tadisa, saka
ndaizviziva chete kuti mahumbwe avaida kutamba emoto aya vaipedzisira vapisana chete zvikaita
zvenhando.Nehuchapa hwaive naMelody hapana kwazvaisvitsana nekuti mai yaive nehuyanga iyoyo..
Kubika kwacho aisagona futi,,dzimwe nguva aiti akabika muriwo so,madomasi anenge ari
kwaMutare,maonion kuBulawayo kuzoti nyama yaibva yaiswa kuboarder reMozambique..ndoaive
mabikiro amainin Melo iwayo apo kuti atarisewo uchibika futi aisave nenguva nazvo..ko aizoiwana kupi
nguva iye aiswera pafon chete achitaura nemudiwa wake waainge abvutira sisi vake.Munobvutirwa
shuwa madzimai kana makableya bleya sezvandainge ndakaita ini..akaenda ndakasvinura
sedemba,vagoni vainge vatora havo.. ko kutyei...
Chimwe chinhu chaisazivikanwa naMelo vaive mai vababa Tadisa. Mai vaAndrew vaipenga hama
dzagu..vaizvit ndinonzi amadhuve ini,kana vasvika pakutaura waimira hwoo apo vaive _chandagwinyira
shavi raMhike_,, vaiti vakagwinyira kutaura chinhu waitosvotwa navo. Inin ndaisatodiwa nekuti ndainzi
handina kudzidza saka ndaitogaya hangu kuti ko kuzotiwo mbuya Melo zvavo vainge vasina kana
nekutonyora form 4 yacho...haa ndainyatsoona hangu kuti paizoitika drama remahara pamberi
apo.Eheka vaidawo muroora graduate zve nhai ko ndivo vadii havo...Kungoti naMelo vaigona
kudzikamiswa nekuti uyo aibatsiridzwa nemadhimoni ainge akamugara saka zvaipedzerana,potse potse
kuzonzwa kuti vakarovana nekuti Melo kacho kaizvinzwa futi.Ini ndainge ndageza maoko mulife yake ini
ndaotofungawo hangu nhamo dzaizonondiwana mberi nekuti pekutangira ndopandaisave napo kana
ndasvika kumusha.Kwakangochena ndakasvinura, ko hope dzaizouya nepi pakadai?

Ainge achiri makuseni kuma5am saka ndakanogeza mubathroom yaLandlady vangu ndokugezesa
mwana wangu nekuchinja hembe nekuti ndaive ndafunga zverwendo chaizvo. Pandakanovamutsa
ndichida kuvaoneka vakabva vanditi "mai Tadisa wadii wambomira kuenda kumusha mwanangu maybe
murume wako anogona kurealiser mistake yake akakumbira ruregerero"..Izvo ndozvandaisamboda
kunzwa kana ka1 manje nekuti sorry yaAndrew hapana zvayaizombochinja pandiri ende shiri ine
muririro wayo hairegi,,zvaitoreva kuti kana twusikana kunze uku aitove natwo nekuti hazvaiita kuti
azotadze kupfimba kunze uku kana aimbokwanisa kupfimba Melo wataigara naye.Ndozvaisazivikanwa
naMelo izvozvo,aifunga kuti ndiye aizoita gotwe rababa Tadisa pavakadzi.Ndakavarambira mudenga
mother ndikati sorry ndoyandainge ndisina kana basa nayo manje and zvaAndrew zvaisaregerereka
zvekumhanya.Vakazongondisimbisa vachiti ndozvinoita hupenyu..Ndakabereka mwana wangu
ndokutakurana nezimonarch rangu rehembe pamusoro. Ndainge ndarongedza kahembe kangu kanonzi
kese kubvira kune dzaTadisa nekuti ndaisada hembe yangu yaizosara pamba apa nekuti type dzaana
Melo nehutsinye hwadzo waigona kutorerwa hembe ikaendeswa kuna'anga ukanoita
kafiramberi.Ndainge ndomuziva ka munhu wangu aitove mudhiniwe hake.....

Ndakaoneka mother ndokuenda kuChitungwiza kwaMakoni kunokwira kombi yangu nekuti ndaitoda
inobuda kuseni seni chaiyo. Zvakambondirwadza pandakabuda gate repamba pandaigara apa kuti
shuwa ndini here ndakatsiga zimonarch ndaakudzokera kumusha... but painge pasina zvekuita
ndozvainge zvatovapo,,Mwari ndivo vaiziva inga bhaibheri rinotaura wani kuti "vengeance is mine"....

Ndakatowana kombi yasara vanhu two kuti izare ndokupinda nemwana wangu..Nzira yese
ndaingobvunzwa naTadisa kuti "nhai mama tiri kuenda kupi tichisiya dady namama Melo?" Ko
ndaigopindura kuti kudii nhai vanhuweee ndaingoita sendisiri kuzvinzwa hangu iye aibva amera zenze
mwana wangu kuti ngatidzokerei tinotora dady...Ndakatozoita hwekuvhundutsira ndokuzonyarara
kwaakaita... dzimwe dzainge dzava hasha veduwee,,, vamwe baba vandainge ndakagara navo
vakanditsuura zvikanzi "ambuya haikona kudaro mwana haana zvaanoziva"...ndakaona kuti vaitaura
chokwadi ko mwana wangu ndiye ainge adii zvake aitovewo murima zvake..aitoshaya ko taakuendepi
futi....

Ndichisvika kumusha ana bamunin namainin hazvna kunyanyovashamisa nekuti vainge


vakatsananguririrwa nyaya yese namainin saka hapana chaive chitsva kwavari.Bamunin vakatanga
kupenga zvikanzi dai gumbo rangu risiri kundirwadza ndandichida kukwira bhazi kuenda
kumbonozvambaradza Melo kumusiya ati rabada..Ndakavaudza kuti vasiyane naye Mwari ndovaiziva
uye ndivo vaitonga.Eheka Ko Mwari havakotsire ka vanege vachiona havo.. Mainini vakati hazvina
mhosva mwanangu tichakuchengeta uri pano uchidya zvatinongodyawo izvozvo.Vaitorarama
nekutengesa madomasi,muriwo nemaonion saka ndainge ndazvipira kubatsirana navo kurima garden
navo tichitengesa... Ndozvaivepo ko ndaigodii ivo vaingorarama wani.Takazoronga kuti taizozivisa ana
tete kuti ndozvaivepo nedzimwe hama.Bamnin vakati pandinomubata mukuwasha uyu pachazvarwa
mwana asina bvudzi..... Dzaingovewo hasha baba vangu vaigomuitei hake Andrew...

Zuva rakazodoka tatogamuchira kuti ndozvaivepo hedu.Tainge tototaurawo zvimwewo ko iyi nyaya
yaMelo yainge yotosvota kunge mangai,saka taitaurawo dzimwe.Kwakazoti kwadoka takaparadzana ini
ndonorarawo mune imwe imba yandainge ndanzi ndoyandaizoshandisa namainini.. Ndichangoti rarei
phone yangu yakabva yarira.Ndakatoshamisika kuti ndiyani ainge andifonerawo hake iyeye?Ko isu
taisafonerwa fonerwa zvaitoyera ka.Ndakatarisa wanei ndi Melo aifona....ndakatomboshaya kuti aidei
ini... yakarira kusvika yakata yega.Ndaitonetsekana kuti ko aidei kwandiri,,ndakazongoti regai ndidaire
pamwe afunga kukumbira ruregerero. Ndichingoisa fon panzeve ndisati ndati haloo akabva
atonditangira kutaura iye zvikanzi "Ehe wanguda zviri kudodii paroots ndangoti ndikubate pachiri pedyo
tigare taonesana kuti handidi kunzwa kuti uri kusvibisa zita rangu kumusha ikoko uchiti ndakakutorera
murume,hauna akakudzinga kuno saka basop otherwise ndino"... Ndakazokata phone yangu asina
kupedza kutaura ndatoona kuti Melo aitove muyedzo mukuru chaiwo apo mutauriro waainge aakuita
uyu ndakatoona kuti ainge asisa ndirespecte ndainge ndakuita kunzi iwee... Ndakabva ndadzima fon
yangu ndokurara....

CHAPTER 19

Ndakatoona kuti Melo aitove muyedzo chaiwo mukuru waigona kutozara basket. Aisaziva hake kuti ushe
madzoro..ndiye ainge ari kumbotonga hake asi ndaizviziva kuti nguva yangu ichasvika. Ndakazorara
hangu ndokusiyana nezvekufunga zvaMelo izvi.Ndainge ndaakutorarama hupenyu hwepamusha full
time..Andrew haana kumbofona kubva zuva ratakaparadzana.. eheka ko aizofona cei ivo Mrs Nyc vaive
navo.Vainge vatova murume nemukadzi but ndaizviziva hangu kuti pasina nguva zvaizojambisa
chete.Pamusha pabamunin vangu apa nhamo yaivepo handide kunyepa.. vaingoraramawo nenyasha
dzaMwari. Ndaibatsirana namainin kurima garden tichinotengesa muriwo nemadomasi. Dzimwe nguva
taienda nebhara takatakura matswanda emadomasi nemasaga emuriwo. Tadisa akambotanga
achanetsa kuti handidi poridge yehupfu hainake asi akasvika pakujaira. Taingoraramawo
zvehwakumukwaku pamba apa. Bamunin vaingovewo nevana vaviri Josiah naSusan,, Josiah aive form 4
uyuwo Susan aive form 1.Ndovaive vana vavo ivavo apo Josiah wacho aisatombogona chikoro hake
aitove rima chairo.ehe ichokwadi kuti nhamo neman'a hazvisiyane. Bamunini vaisatombove nemwana
wavaitarisira kuti angazodzidzewo akaita zviri nani. Chandaimudira Josiah aive dofo hake but aiteerera
mufunge.. Kune vamwe vana vekuti anenge achiti hudofo oti kusateerera zvakaita type dzaana Melo.

Semunhu ainge aakugara pamusha ndainge ndagosauka sauka... mumusoro ndaitosimba kuti mainin
vandiruke mabhanzi vamwe vanoati magodi.. ko mari yekurukwa yaibvepi paruzeva nhai isu
taitomboshaya yesipo yekuwachisa. Dzimwe nguva taitoshaya kana mafuta ekuisa mumuriwo
tichingonjonjora zvakadaro.. eheka moti ganda rinorega nei kukwasharara pakadaro.. Unotosakara
chete!!!

Ndakatoona kuti ndikada zvekugerwa musoro ndaizoita kachipoko chaiko nhamo yacho yaizonyanya
kubuda saka ndaitochinjanisa iwo mabhanzi dzimwe nguva ndomborukwa aka crossana dzimwe nguva
zic zec kuti zvityise! Ndaitotamba iri kurira painge pasina zvekuita. Rimwe zuva ndakanokumbira
vepanext pedu kuti vandichajisirewo phone yangu nesolar ndaida kumbotaurawo hangu naCharity fried
yangu ndichimuudza kuti nhamo yainge yandibaya.Mainge matova muna December zvichireva kuti
ndainge ndatova ne 2 months ndasiyana naAndrew nekuti ndainge ndabvako kupera kwaOctober.
Ndaitoshamisika hangu kuti kana iye mwana wangu waaiti ndisiye aimudii iye asina kana day
raakambofona achimubvunza. Ainge otonzwira ana baba kuma next door mwana wangu ainge
asisatovazive.

Pandakaita fon yangu on ndakabva ndatenga mabundles ewhats app ko ndandichaiziva here? etym
yaisabatika zvekumhanya paruzeva plus hazvaizoita kuti ukumbire kuchajisa fon kumaraini everyday.
Ndakabva ndaenda hangu kuwhats app ndokutarisa profile yaMelo... ainge akaisa picture yake aina
Andrew akaita kurara pachest apo status yainge yakanzi Vanorwadziwa nesu ari cei marwadzo✋�.
Zvakambondirwadza shuwa kuti saka pana Andrew yaingovewo wrong connection,,, he wasnt mine.
Melo aisatombgaya hake aitoita zvesvoto chaizvo apo musoro wainge wakarukwa runako rwaita
kuwedzera... apo ini nhamo ndopayaiita kundibvunza mutupo apo muchenero waainge akaita wega
waipa mathanx. Ndakazosiyana navo hangu ndokutanga kutarisa mamwe machats. Ndakabva ndaona
imwe yainge yakasendwa namai Panashe yainge yakanzi " Ko mai Tadisa uri kupiko murume wako
akutogara naMelo kuno semukadzi nemurume" Ndakatoseka hangu kuti hama yangu yaisaziva zvaiitika
ndainge ndakabva zviri zvekumhanya .Ndakazovatsanangurira yaivepo zvikanzi , mai mwana kuri kuitwa
zvisionekwi kuno vanoita kuberekana yard yese kubatsira kusuka ndiro nekuwacha" .. Ndakangoti aizvee
inga ilove pisa pisa chaiyo. Kubva zvandainge ndakagara nababa Tadisa ainge asina kumbobvira
akandibatsira kana kai zvako.. I stil remember ndiri ndiine nhumbu ndaitombodawo kuita zvimadanha
ndichiti ndibikirewo asi ndaibva ndatoudzwa ipapo kunzi nhumbu haisi mumaoko......
Ndakazotaura naCharity shamwari yangu akanditi aizouya kumusha towards chrismas sezvo kuriiko
kwaigara maparents ake.Baba Tadisa vainge vakatoisawo profile yamaini pastatus pakanzi chimhamha
chacho. Ndofunga zvaiitirwa kusvotesa ini..ehe zvaingorwadza hazvo kutaura chokwadi. Ndofunga dai v
vaindiona zvandainge ndave 2 months idzodzi vaigona kungorutsa nekuti ndainge ndapera zveshuwa,,
ndainge ndangosara dzoro chete plus nhamo yekushaya zvakakwana ndoyaindibaya. Ndaingonamata
kuti Mwari ndisimudzireiwo ndisimudzire mararamiro epamusha pano. Ndini ndaitogona kushandura
situation yepamusha pedu apa nekuti zvainge zvakatooma kutaura chokwadi... Vaive vanhu vaindida
zvese nemwana wangu ende ndaitongoona hangu kuti kushaya bedzi asi rudo vaive
narwo.Ndaishuvirawo kuzovaitira zvidhafu dhafu muhupenyu.....

Pamba pedu ndaiita ndichinotarisawo asi rainge rangovewo dongo zvaro. Ndaiti ndikarangarira mufaro
wataive nawo mama vari vapenyu ndairwadziwa shuwa.Vabereki vanongodiwa hama dzangu. Kana
vasisipo ndopaunoona kuti nyika inokunhuwira iyi. Unenge usisina wekuturira matambudziko ako.Ana
mainini ndaitoona kuti ndaivaremedza kuti vandichengete zvese nemwana wangu though havo vaisa
complainer....

Rimwe zuva iri wikend ndakamukira nebhara remadomasi kumashops kuChigondo ndichiitira kuti
ndikasike ndatengesa kuchiri kuseni. Ndakabva ndaita mahwekwe na Tichaona umwe mukomana
wandainge ndakadzidza naye... Paakandiona akashamisika zvisingaiti zvikanzi "ko ana Tale
maakukungurutsa mabhara,makasiiwa nana Andrew ka?"Aindibhowa mukomana iyeye kubva
kuchikoro.. Akabva "ati manje wakandiramba dai uri kudya mari"ndakangoti ndomuyedzo chaiyo apo
munhu wacho aitaura nezvekundidyisa mari ainge katosaukawo zvake akapera basa. Ndakangoti Mwari
munzwirei tsitsi haana chaanoziva..Ndakapusha bhara rangu ndokuenderera mberi nebasa rangu...ko
tainge tatove madhiniwe ka saana Melo...

CHAPTER 20

Ndainge ndazojaira nhamo zvino...yainge yaita kundifita kunge hembe.Sezvo yaive nguva yekurima
taingochinjana namainin umwe aimbosara achichovha ndima nevamwe mumunda umwe achienda
kunotengesa. Maticha ese nevanhu vakumashops vainge votondiziva nekutengesa,, zvekunyara zviye
nhamo inenge isati yakugara bumper hamaweeee apo ndaiita kurova iye inonzi pata pata pachishona
yakasotwa newaya pasi apa zvekuti nyangwe ukagumburwa sei unenge uri covered

.Nhamo nditeacher hamaweee inodzidzisa..aizvee.Kana kuri kumunda Tadisa ndaingomuisirawo maheu


muchigubhu kuti asanetsa. Ainge atojaira mwanawangu dzimwe nguva ndaiita sendichadonedza
musodzi achimakakaira asina sugar..ko kwainge kwangove kudyira kuzadza dumbu ka kwete kudyira
kunaka. Zvinonaka ndainge ndisisatozive kuti ndezvipi ini. Tadisa ainge atokanganwa kuti kune chinhu
chinonzi baba,, ainge otoziva kuti kunoraramwa namama chete.
Kana ari saMelo kubva paakandifonera achindipa warning handina kuzombobvira ndataura naye asi
ndaingoona nemaprofile kuti zviro zvaifaya ikweyo. Maprofile acho nemastatus aiiswa ekufinhura
chaiwo... Ndakazoseka hangu rimwe zuva pakaiswa pik rake nahubby wake uyu vari kugochi gochi
kwaMereki,,apo status yainge yakanzi toiranga nyama vamwe muchiirangarira,ko mungatidii?
ndakangoti hesi mhani inga ndokanonzi kalife aka. Apo kurwadza kwazvo unenge watozwa
nekuchinjanisa nyevhe nemuboora. Tainge tatojaira hedu asi chaindinetsa ndechekuti Melo akaita sei
asingabate nhumbu nekuti mapictures ake aitoratidza kuti haana kana chinhu. Ndakazofunga kuti hoo
ainwa mapiritsi efamily planing... plus ainge amatangidzira achiri mwana handaimbofunga kuti inobata
ini nhumbu yacho nekuti vainge vatanga kuronga mhuri kare ana Melo ava. Asi nhumbu ndoyandaiziva
yaigona kumudzikamisa chete. Chikoro zvaitenge zvave pachena kuti ainge atosiya asi ndaimunzwira
tsitsi hangu nekuti paaizo realiser kukosha kwacho hapana aizomucheuka. Ndiri seni hangu ndainge
ndakatomugadzirira size hangu zvekuti ndaisamboda kumuona mulife yangu kana ka1. Vari sabamunin
vaigaroti shuwa "Melo pandomuona ndomudzika bheura chairo kana demo " Inin ndaimbozama kuda
kumuregerera mumoyo mangu but zvairamba hama dzangu ndiri munhu wewanyamawo saka zvairema
kuzvikanganwa even though ndaiziva hangu kuti kusaregerera chivi chikuru chaicho.Melo ainge
andisafisa zvekuti ndega ndakabvuma. Ndaisvika pakumbozvitarisa pamirror so ndozvinzwira tsitsi kuti
shuwa ndini here ndini ndainge ndasakara kudai apo ndigoti ndaive ndiri muslim,, hembe dzainge
dzaakuita sedzakaturikwa pamuti.

Charity shamwari yangu ndiye ainge otosimba nekundikandirawo etym. Aiziva kuti sahwira wake
akabaiwa nenhamo kumusha uku saka etym ainge ongotumira even ndisina kumumbira..
zvongonyadzisawo hazvo mufunge kana uriwe wekungoti maita basa evryday. Charity aive shamwari
yepamoyo kubva kuchikoro and aitondiziva kuseri nekuseri. Ainge ave manager wemashop eumwe
muIndia aitengesa jewellary saka hupenyu hwake hwaitove nani stereki kukunda hwangu apo aive
musikana futi.. Ndaigarodemba kuti shuwa dai ndakaziva hangu. Mapoints tese tainge takangoita 10
tese iye ndookupfurira kuenda kuuniversity uko kwaakazonoita business management. Isu tainge
takasarudza kuti tiite mahouse wife. Ndakatanga hangu kurangarira mazuva andakatanga kudanana
naAndrew.. Ndakaenda naye kwaana Charity kunomuratidza ka sahwira.. Charity akazosara ondiudza
aenda zvikanzi " mmmh madzimai muface wenyu uyu handisi kumupihwa mushe anenge tsotsi uyu.
Ndakangoisa zvimuti munzeve,, ndaitofunga hangu kuti mumwe wangu ainge oita majairos..
munongozivawo pfungwa dzehudiki. Ndakazotanga kuona kuti ainge atoporofita zvekuti dai
ndakateerera ipapo mukombe uyu ungadai wakandipfuura. Ndainge ndoti ndazviwanira hanzvadzi
yerudo zve.. Ndainge ndakilliwe nge love....

Kune vamwe vanhu vekuti nyangwe dai maitombowirirana sei asi akangoita sekuti ave palevel
rakadarika rako hushamwari hunopera. Especially kuvasikana uku akangoenda kuuniversity anenge
akutoona zvichimakisa kuti unzi uri shamwari yake kana wakangogarawo hako. Ndozvandaidira Charity
mufunge aive true friend chaiyo aisatombonyara kuudza vanhu kuti ndiri shamwari yake but ndaitoona
ndega kuti malevel edu akasiyana. Ndozvazvinoda mufunge kudadirana hakuna zvakunoshanda asikana
weee inga wani zvinonzi ushe madzoro. Mwari havasi vemunhu 1mufunge.. Izvozviye zvekunzi
anosimudza marombe kubva muguruva ichokwadi mufunge.. Mukaenda kuna 2nd Samuel chapter 19
panotaurwa nyaya ya Mephibosheth kuti Mwari vakamusimudzira ari chirema kwaaigara ari kuguta
reLodiba vachinomuisa mupalace ma king David and hazvina kuperera pakugara mupalace chete,, ainge
otodyawo neroyal family otopfekawo zvipfeko zvaipfekwa nemhuri yamambo. Ndozvinoita Mwari
izvozvo and remember,, verses before that zvinonzi Mambo David vainge vakavenga zvirema
nemapofu... ndozvinoita Mwari izvozvo. Izvozvo zvinogona kungoitika kuna ani nani muhupenyu kana
nyasha dzaMwari dzakulocater.

Sezvo tainge tave towards christmas veruzhinji hama dzinenge dzichiuya kubva mumadhorobha vamwe
kunana South Africa koko zvichingodaro.. Isu tainge tisina wekutarisira hedu sezvo taisavewo nehama
dzine rudo. Eheka inga munozviziva wani kuti kana uri murombo hapana hama inokuda vanhu vese
vanotaramuka pauri so nekuti vanenge vachitya kuzorwa nhamo.. Ehe ndizvo zvatiri vanhu izvozvo..
umwe kungomuti hie kana pawhats app chaiko anotoignowa achitya kudaira kuri kutya kukumbirwa.
Ndopanoti vanhu ipapo. Ini ndainge ndichitofarawo hangu sezvo ndaiziva kuti Charity aizouya.
Ndaidawo kumbomuturira nhunha dzangu mufunge pamwe zvaizoita zviri nani inga wani zvonzi a
problem shared is a problem solved.

Mazuva akafambidzana kusvika Charity azouya kumusha asi ainge asina kundiudza day chairo raaizosvika.
Paakasvika pamusha pedu rainge rave zuva remangwana acho iye ainge auya sanezuro wacho,, haana
kundiudza,aida kundirova nekasurprise ka saasahwira so. Ainge ari makuseni apo ndaitove mukitchen
zvangu nditori busy kuisa marasha pamusoro perata randainge ndakavharisa chimodho chandaibika
chesoya beans... apo mumba mainge makazara hutsi ndichiita kubuda musodzi zvekuti Tadi
akatombondibvunza kuti "mama asi mukuchemera chimodho chamuri kubika?" Ndakangoseka hangu
ndikamuti buda panze mwanangu mune hutsi muno. Pasina nguva ndopandakazonzwa kavoice katete
tete kachiti "tisvikewo pano" Ndakabuda ndichiti nditarise ndokuona ari Charity. Iiih I was more than
happy mufunge ainge andirova nekasuprise sahwi wangu uyu apo kamuchenero kaainge akaita kani..
Ndakambonyara kana kunomupa hug chaiyo ndakangoramba ndichismiler zvangu ndakastiker padoor
rekitchen. Zidress randainge ndakapfeka so apo mumusoro makarukwa mabhanzi hey�. Sahwira wangu
aisada zvekunonoka ndokuuya kuzonditi mbundee... haaa ndakanyara veduweee apo perfume yaibuda
paari yaive yekwamberi apo ini hutsi ndohwaingonzwikwa pandiri. Takazomhoresana naCharity asi
akashamisika nezvandaive apa. Aisatarisira kuona nhamo yacho iri pahigh level kudai... pandaitaura naye
pafon aifunga kuti ingoriwo nhamo imwe iye iye but hey akatozoona kuti ndainge ndaparara.
Sahwira hwangu aive munhu aispecialiser nekutaura chokwadi saka haana kumboda kuvanza akabva
angotanga kutaura zvikanzi "Tale waita marangwanda kudaro nhaiwe ko hindava?" ainge atoyangamara
misodzi mufunge nekundinzwira tsitsi ndikati ndozvoripo wena hapana yekusetter. Iiih akarwadziwa
mufunge henyu nezvandaiva... ehe varipo vamwe vanhu vane hanya nehupenyu hwevamwe vanhu
mufunge. Takazotaura zvimwe na Charity achindiudza nezvekubasa kwavo nezvemuface wake.
Akandiudza kuti ndaive ndasakara zvisingaiti and aisanyepa zvake chaive chokwadi.. Akazopedzisira ati
Tale after chrismas pandiri kudzokera hausi kusara pano ndiri kuenda newe kuHarare pano pari
kukusakadza hazvisi kana kundifadza izvi.......

CHAPTER 21

Pakataurwa nyaya yeHarare nasahwira wangu uyu hana yangu yakamborova. Ndaidawo
kumbosuduruka pamusha pedu apa kuti ndinoitawo something chinounza cheuviri. Ndakafara zvisingaiti
zvekuti ndainzwa kuda kumubereka chaiko. Ehe nhamo yainge yandisakadza pamwedzi mitatu
yandainge ndagara iyoyo... makamborohwa nenhamo zvekuti unonyatsooona kuti apa ndasvika _pakati
pehusiku pehupenyu_?? Level iyoyo inorwadza hamawoye. Akabva atanga kuenderera mberi zvikanzi
"Tale zvauri hazvisi kuita wena,,hona zvaukarukwa musoro?" Munhu aimunzwa achimdibvunza aigona
kutofunga kuti maybe munhu anodada,but Charity munhu aispecialiser nekutaura chokwadi...

Iniwo zvandaive ndiri zvaisaitawo shuwa saka ndakatanga kutsanangurira umwe wangu zvainge
zvandisvitsa apa. Pandaitaura pese ainge ari zii hake achiteerera, achinzvera nyaya yacho...eheka aisave
munhu akapaparika.Munoziva kuti shamwari dziri pamhando dzakasiyana siyana idzi? Pane dzimwe type
dzeshamwari dzimwe dzekuchikoro dzaunombosangana nadzo wekuti kana ukamuudza for example kuti
ndaive kuholiday kuBulawayo... usati wambopedza kumutsanangurira zvekuBulawayo zvacho iye anenge
atoganhirira kare kuti kana neni futi futi ndakaenda kuHarare kuholiday

... ukaona munhu kadaro itori imwe mhando yakaipa yeshamwari... kusada kusaririra!!!! Charity aisave
munhu akadaro ainge ari zii hake ndichitsanangura,, ndapedza ndipo paakazoti "shuwa ungapuse
kusvika pakutorerwa imba na Melody uchitadza kumurova zera rake riye ?" Ndakamuudza kuti
ndaisagona zvekurova,, zvikanzi "changamuka Talent zvimwe hazvide kuzviita musande wekuRoma"!!!

Ndakademba shuwa kuti dai ndaigona kurova pamwe Melo aisandidheerera kudaro. Takazotaura
dzimwe nyaya asi Charity aingosimbirira yekuti shuwa pandinosangana na Melo ndiri kuda kumutsika
heavy. Ndaizama kumuudza kuti kurova haisiyo solution zvikanzi ndezvako izvo munhu anofanira
kumbotwasanudzwa.Ndainge ndonyara kuti zvino taakungotaura nyaya hapana kana chekudya chaivepo
chaiita kuti ndipe muyenzi wangu uyu. Iye anenge akazviona kuti ndainetsekana nazvo kusvika ati "ko
chimodho chacho hachiibve here nhai Talent?"... kkk sahwira wangu aitove mudhinhiwe chaiye.
Ndakanotarisa chimodho chacho mukitchen mandainge ndasiya ndachiisa marasha ndokuwana chatsva
goko repamusoro rese irikuita tsito... chainge chaita kuye kunonzi kugodhoma, ko hant ndainge
ndavarairwa here ndichikurukura naasahwira. Akazoona ndangoti nyaa mukitchen muye ndokuona
munhu ateera zvikanzi "ndichekere chakadaro"Ndaka mboda kuzama kumutsanangurira kuti chaive
chesoyabeans zvikanzi asi handidye kuti ndini munhu chete imi mange muchida kudya muri mbudzi?"
Ndozvaaive sahwira wangu aisave munhu aitsvinya mufunge aiita zviripo panguva iyoyo zvisineyi nekuti
aive munhu ane mari dzake.Akazonditi masikati ugadzirire undiperekedze kumashops.Paainge
aakubuda ndakabva ndamupa fon yangu kuti anondichajisira kumba kwavo. Ndakazonomusiira munzira
ndodzokera kunopakurira vanhu chimodho kuti vadye.. ko ndozvaitovepo ka...

Masikati acho ndakagadzirira kuti ndiperekedze sahwira kumashops,, ndichiri kuayina dress randaida
kupfeka ndakabva ndanzwa huta yemota panze.. Ndakatarisa ndione aizve ndicharity aidriver.
Zvakandishamisa kuti sahwi wangu ainge ave nebango remota kudaro. Akabva anditi "ndandichida
kukusurprise thats why ndisina kukuudza pandambouya makuseni"Iiih ndakafara kunge yangu,, ko
ndaigotadza kufarirawo zvakanaka seiko nhaimi plus zvaisashamisa nekuti ainge ave manager ka uyu.
Akabva andimirira kutindipedzise kuayina kahembe kangu ako kaingovewo kadzoto hako apo ndaikasota
neiron iye yemarasha, vamwe vanoiti chitima chemarasha. Akazoti titakure Tadisa sezvo aive nemota.
Takazokwira tonanga kumashops kuChigondo,, idzo nyoka dzemudumbu dzakatomborira kuvhunduka
mota,, ko ndandichaiziva here ndandajaira kukwidza gomo ndichisunda bhara remadomasi kuenda
kumashops. Tadisa yaingove masmile road yese kufarira kufamba agere,, ndakangoti mwana wangu
shame..

Takasvika ndokupaker vhuzhu redu ndokupinda mune imwe shop yaitengesa grocery.. Charity akabva
anditi sarudza grocery risiko kumba kwenyu. Ndakashamisika nerudo rweshamwari yangu iy,, dai
aimboziva kuti kumba kwacho kwaisave nechinhu kana 1 aisambonditi sarudza nekuti zvese zvaisaveko.
Ndakatanga kungonhongaa1-1 iye ainge agere hake pachigaro chaive mushop umu akanditarisa.
Akatoona kuti ndainyara kunhonga zvinhu ndokubva asimuka ega kwakutanga kututunurisa zvinhu
hobho kumutengesi wemushop umu... Eheka ko hant mashop ekumusha munotoita kupihwa zvinhu
nepacounter...kune mashops aye ema cap/verandar,, aye anonzi nevamwe mastoro... Ndakashaya kuti
ko Sahwi ainge oda kuhodha shop yese here zvikanzi pane chashota here apa ndatengera iwe zvese
izvi?" Iiih ndakazongoti hapana chashota nekunyara huwandu hwezvihu zvaainge atenga. Tainge
tatotengerwa grocery rechristmas yese naSahwi wangu uyu. Ndakamutenda kasingapere mufunge ainge
andiitira chinhu chikuru chandaisatombotarisira hangu christmas iyi.

Takazopinda mumota todzokera kwedu ndokubva anditi "Ndange ndatokanganwa Oh phone yako iyi
ndaichajisa yazara" Ndainge ndatozvikanganwawo kuti ndainge ndamupa phone yangu makuseni
paainge aakuenda kumba kwavo... ko isu taisave nebasa nemaphone stereki taisanyanyo phonerwa
stereki,, tainge tisina zvipande unlike ana Melo vekuti kana achigeza, panogara sipo mubathroom
ndopanenge pakaiswa phone kuri kutya kuti ndikaisiya mumba inozovhurwa... Ndakabva ndaiita on
ndokuenda zvangu kuwhatsapp ndokuona paine message yamai Panashe.Ndakaivhura ndokuiverenga
yainge yakanzi "Hesi mai Tadi nezuro mai vaAndrew vakauya kuno mushure mekunge vanzwa kuti
aakugara naMelo saka vakasvika vachida kumukandira mabag panze kuti abude mumba memwana
wavo,, ndokubva vasundidzirwa naMelo ndokurovera pasink vakakuvara,, ndokubva Andrew abata Melo
ndokurova zvakaipa kusvika Melo apfugama aakuti sorry handichazviita" Aagh ndakafa zvangu nekuseka
ini. Ndakabva ndaziva kuti chatobvondoka chete kuside uku. Ukaona type yaMelo yaakukumbira
ruregerero anenge atsikwa heavy.... Ndakazongovapindura kuti inga muri kuonerera mafirimu emahara
ndikabva ndaona nguva diki diki vaakutyper kuratidza kuti vaipindira zvikanzi " Akazvimba face yese iyi
Melo aswera akazvivharira mumba" Ndakangoti hameno ikoko ngavasotane.....

Ndakazoratidzawo Charity mamessage amai Panashe akafa nekuseka zvikanzi "haana kunyatsomurova
dai akanyatso tsika munhu". Kubva zvandakagara naAndrew ainge asati ambondirova..
ndakatoshamisika ndichinzwa izvi ndikaziva kuti kujambisana kuye kwainge kwatotanga.. Ehezve ko iyo
imba yekutorera umwe yakazombove nerugare riinhi?? Vainge vatotanga kuranga Mwari.
Takazoenderera mberi nerwendo rwedu ndokusvika kumba. Ana bamunin namainin vakatenda Charity
nerudo rwake urwu.. Takazoonekana iye oenda kumba kwavo akati aiuya kuzondiona mangwana.........

CHAPTER 22

Yakazove christmas yakanaka chose ndiina sahwira wangu uyu... Aizama nepese paaigona kundifadza
kuti ndikanganwe mashura andainge ndaitirwa naMelody. Akauya akanditora akaenda neni kumba
kwavo pachristmas..haa kune mhuri dzakaropafadzwa mufunge. Vabereki vaCharity kubvira nekubvira
vaive vanhu vakasununguka.. vaitondiona semwana wavo kana Tadisa vaitomutora semuzukuru wavo
chaiye.Charity ndiye aive ega musikana mumba mavo vamwe 3 vaive vakomana.Dangwe racho ndiye
ainge akaroora,, ainge akauyawo nemudzimai wake kumusha paholiday iyi asi aishandira kuSouth Africa
kwaaive Engineer. Vamwe two ava vaive matwins vese vaive kuNUST kwavaiitawo macourses avo ndivo
vainge vakasiirwa maCharity . Mufaro uyu ndaingo imaginer uri pamba pedu but hey Mwari vainge vaita
kuda kwavo mufunge. Baba vangu namai vangu vainge vandisiya ndisina kumbovaitirawo madanha
panyika.Wandaiti ndiye wandasara naye munyaradzi wangu Melo ainge andisiya pachena chaipo.
Ndosaka ndaishuvira kushanda kuti ndigozoitirawo vabereki vangu vandainge ndasara navo ava
madanha nekuti hapana umwe mwana wavaitarisira kuti angavachengete muhupenyu kunze kwangu.

Ndakazotarisa hangu profile nestatus yaMelo musi wechristmas ndichida hangu kuona kuti vamwe vedu
vaiitamba sei kudhorobha uku. Ndakaputika hangu nekuseka ndichiona pakaiswa status yakanzi "��ndiri
soldier rinosvika kure hamundigoni". Eheka mastatus nemaprofile ndoaindiratidza kuti zvakamira sei
kuHarare uku..... ndakaziva kuti kwainge kusina chakanaka ikoko... vainge vaitamba christmas kumeso
kuri butcher,ndosaka ainge asina kuisa profile picture. Ko vaizotorana mapicture sei ivo vakakinditsana
kudaro.... Love iye yainge yotovava nguva diki diki. Ndakaratidza Charity ndikati honawo status yakaiswa
naMelo zvikanzi "Aakudzidzira kuzviita musoja kuti awane simba rekudzorera Andrew ka?" Takaseka
hedu mashura ataiitirwa naMelo aya. Manje netype yaana Melo aitotambisa nguva yake kurova nekuti
Melo aitove dhimoni pachezvake saka kurova dhimoni hapana chakunobatsira... Futi ndingangoti aive
madhimoni airovana nekuti Andrew wacho aitovewo nerakamugara saka idhimoni rairova rimwe
dhimoni.

Takazogadzirira zvekuenda Harare naCharity... akanditi takura Tadisa asi ndakarambisisa. Kuramba
hazvaireva kuti ndaisada kuenda nemwana wangu,, asi hazvizongoite kutakurana nemwana iwe uri
kutonochengetwawo... Pandakamuudza kuti ndiri kusiya Tadisa akarwadziwa but ndakarambisisa.
Ndaitorwadziwawo kuti ndaakusiira mainin mutoro nekuti munongozivawo vana vadiki
vanonetsa,,zvoda mai vacho uripo, plus mainin vaitozopinda busy kana vaakuda kuenda kunotengesa
madomasi. Ndakazongoti ndikawana kabasa ndouya ndomutora. Ndakazorongedza twuhembe twangu
ndokuonekana nevabereki vangu... ndakatomborwadziwa ndichiparadzana navo nekuti ndaivada
mufunge.. Bamunini vakazviona kuti ndainge ndotoda kuchema zvikanzi "Nhai mai Tadisa mwanangu,
zvino zvowotoda kuchema iwe munhu mukuru ko kuzoti Tadisa ari kusara anozoitei?" Ndakazonzwa
Charity aakuseka zvikanzi "musamuteedzere baba zvese zvekuyema izvi ndichanozvipedza achadzoka
ave munhu chaiye".. ndozvaaive Charity sahwira wangu izvozvo,, aigaro ndiudza kuti chigame chako
chekupusa pusa ichi uchitambisa musodzi uchichema chondifizura.Ko aisambovanza ka, aida munhu
anozvishingisa.

Takazoonekana navo ndokuenda nekwaana Charity nekuti ndaida kunoonekawo vabereki vake...
Ndakavatenda zvikuru nerudo rwairatidzwa nemwanasikana wavo kwandiri vakatiwo ndozvinoita
hushamwari hwechokwadi saka taifanira kunogarisana mushe tive vanhu vanotya Mwari. Ndakavatenda
Charity ndokuonekana navo ndokusimudza mota torova pasi nasahwira wangu uyu. Ndozvazvinoda kana
muchibva pamusha,, munofanira kutorawo mablessings kuvabereki kuti mufambe zvakanaka. Road yese
ndaingonzi saka Andrew akazodzoka achikumbira ruregerero unodzokerana naye here. Izvo zvaive
pachena kuti Andrew ndaisafa ndakadzokerana naye nyangwe akateterera zvakadii. Ndainge
ndatovenga vanhu rume zvisingaiti nekuda kwehunhu hwababa Tadisa.Vamwe vaimboti muendere
kumaintainance but ndaisada hangu. Ndaizviziva kuti handaimbofa nemwana wangu Mwari
vaizotichengeta chete. Ko pane guva rakambonzi iri ndere munhu akafa nenhamo here? Vanhu
chavasingazive ndechekuti nhamo itsvina, inogezwa nesipo ikapera... ko ndosaka Mwari varipo zve, ko
hanti ndivo vanovhura nzira pasina nzira. Ndakazoudza Charity kuti Andrew ndaisambofa
ndakadzokerana naye nyangwe zvikanzi zvadii... akabva aseka hake zvikanzi "hmm hmm ana Talent
nekupusa kwenyu munenge musati manyengererwa imi"... Ndakanyatsomuudza kuti izvo
ndozvandaisaita manje zvikanzi "howo tinenge tichizongoona,, pakuti dzevaviri hadzipindirwe". Icho
chaitove chitsidzo chaicho nekuti Andrew nyangwe dai aizouya achichema musodzi yeropa
ndaisadzokerana naye.. ainge adirwadzisa zvehupenyu hwese. Rwendo rwedu rwakaita rwupfupi
tichitaura nyaya yaAndrew iyi kusvika tasvika. Charity akazopedzidzisira nekunditi "ukadzokerana
nemhuka inonzi Andrew iye shuwa ndopanoperera hushamwari hwedu nekuti shiri ine muririro wayo
haiuregi"... Ndakavimbisa sahwira wangu kuti ndaisaita zvakadaro nekuti kudzokerana naAndrew
zvainge zvakangofanana nekudya futi marutsi. Saka yaitove no reverse dhiri...
Takazosvika muHarare dzatove kuma past 2 dzemasikati ndokunanga kumba kwake kwaailodger
kuMarimba Park. Ndichisvika ndakatomboti pamwe aigara neumwe munhu nekuti imba yacho yainge
yakakura yakanaka,, akandiudza kuti aibhadharirwa necompany yavo ndosaka ainge akangochooser
imba hombe though mamwe marooms aisave nechinhu hawo semumhu aive musikana so saka property
yainge isati yawanda. Ndakatoshamisika kuti sahwira wangu aigara ega zimba rese iri.. Akanditi ainge
asina kunditora kumusha kuti ndiite house maid wake asi ainge auya kuzogara neni seumwe wake.
Akabva anditi paive namother vaaigara navo achivahoresa asi apa vainge vakaenda kumusha kwavo
kwaMutare kuchristmas vaizodzoka after new year saka apa taingove two hedu. Mumba macho maive
smart kuratidza kuti maigara vanhu vapenyu kwete zvaana Melody zvekuti mumba munoita kunge
munogara chipoko. Akazondiratidza room yandaizoshandisa maitove nemubhedha newardrobe
ndikanosiya bag rangu imomo.

Takagara zvakanaka chose naCharity waingove mufaro bedzi bedzi zvekuti ndakatanga kuchinjawo
ganda iri.. makumbo aye ainge akamboparuka kuita mabox emaths ainge aakudzokedzana
pakare.Bvudzi rangu nekuda kwemabhanzi andairukwa kumusha ndainge ndazogadziriswa musoro
naCharity rareba zvekutokunda rake.... eheka munozviziva vasikana nanamai kuti mabhanzi anokudza
bvudzi wani,, plus ndoandaigara ndakarukwa kumusha. Akazombobuda neni ndokuenda kunonditengera
hembe mutown.. aiwa aive nerudo mufunge mwana iyeye , ndainge ndotaridzikawo. Kubika chaiko
aisada kuti ndibike hanzi handina kukutora kuti uzoita mubiki wangu pano.. Ndaitozoita kubika zvenharo
nekuti ndainge ndakasiyana naMelo kaini aingoda kudya akagara.

Mother vaimushandira vakazodzoka kubva kumusha kwavo sezvo new year yainge yadarika. Haa vaive
munhu ari bhoo chaizvo aigarika naye plus vaive mukuru kwatiri tese saka taitova respecter chaizvo.
Madays ake eoff akazopera akatanga kuenda kubasa,,, ndaiswera hangu namother vaye apo vaive
muwasu munongozivawo matauriro avo kuti unogara mbabvu dzichirwadza nekuseka,,apo vagoti every
statement yavanotaura havarege kuisa kaword kechirungu. Taiswera tichifara hedu pamba apa
tichibatsirana basa,, ko hazvireve ka kuti munhu akanzi ndihouse maid pamba maakutomuona kunge
dhongi muchingoitirwa makagara.. munhuwo mufunge. Charity taiwanzosangana manheru tabva kubasa.

Ndakazoudza Charity kuti ndaisada kuswera pamba ndakagara ndainge ndafunga kutsvaga chero basa
remumba nekuti January ainge ave kutopera ndakagara. Charity akaseka hake zvikanzi "washayei nhai
Talent pano? " ndisati ndapindura akabva anditi "kana vari ana bamunin kumusha ndakavatumira mari
nezuro paecocash kuti vashandise saka dzikama hako nenyaya yekuda kutsvaga basa remumba"...
Ndakamutenda mufunge nekutichengeta nerudo kudai ndainge ndotonyara nekuti mafavours acho
ainge awandisa mufunge,, plus aisave munhu uye akapaparika.. aiita zvinhu zvake chizii zii ozokuudza
apedza. Eheka, ainge asina kuita kuye kunonzi nevamwe pachikore kore _kubhabhauka_…… aive munhu
ane hana yakadzikama.

Akazondiudza kuti ndisanyanyo fungisisa nezvebasa stereki nekuti kana nguva yasvika Mwari
vaingozarura masuwo plus akati kubasa kwavo vaiwanzotora vanhu March wega wega saka
ndaizongokandawo ma CVs angu ikoko..

Melo ndainge ndave nenguva ndisina kunzwa nezvake nekuti paap ainge ave nenguva abvapo ndofunga
yeairtime yainge yaakushaika, saka ndakangoti ndichazobvunza mai Panashe kuti zvakamira sei
ikweyo........

CHAPTER 23

Ndakagara pamba pasahwira wangu apa mwedzi muviri wakazara ndisina kana chandaiita. Ndaiita kuye
kwakarehwa nababa Tencen kunzi kuripwa kugara. Ndainge ndotonyara shuwa nekuti ndainge
ndotochengetwa semwana mudiki. Ndainge ndotomuona sasisi vangu nekuti she was more than a friend.
Ndozvazvinoita mufunge,,mutorwa chaiye anotokuchengeta kudarika hama yako chaiyo.. Iye munhu
wacho aisatombogaya hake aibva atoita seaigara nemwana wamai vake. Kubva zvandakagara aCharity
ainge asati ambowuyisa mukomana wake pamba aitotaura kuti "handidi kuti ajiirire kuuya pano haasati
andiroora".. Ndopaunotoona kuti munhu anenge akavimbika manje type dzaana Melo kumusiya ega
pamba kudai panotoitwa palodge chaipo. Kumusha ndaipota ndichiphona ndichitaura nana bamunin
pamwe chete na Tadisa. Ndaibva ndanzwa moyo wangu kurwadza kuti shuwa mwana wangu airarama
sei kumusha ikoko? Ndaizviziva hangu kuti mainin vaive nemoyo wakanaka asi mwana anongodawo mai
padhuze mufunge, inga wani inin munhu mukuru ndaitombofunga mama vangu kuti dai varipo. Mai
vakakosha hama weee!!!

March akazoswedera ndokubva Charity ati ndiaplaye kubasa kwavo. Akandiudza akati "Talent you know
i'm the manager kubasa kwedu but I 'm not going to take that advantage kuti uwane basa I want you
kuti uwane basa pasina chizivano" Ehe airevesa nekuti zvinhu zvinongoda kuitwa zvakachena kwete
zvekubhadhara. Munomboziva kuti paunenge uchiita zvechioko muhomwe paye unenge uchitoshora
Mwari kuti hamugone kundiitira zvandoda saka ndoita kubhadhara kuti zviite. Dzidzai kungomirira nguva
yaMwari vanhuweee!!!

Kutaura chokwadi ndaive nefaith kuti basa iroro kuti ndinoriwana even ndaiziva kuti kune vamwe vane
madegree vanenge vachitoridawo. Charity aingondisimbisa kuti zvinoita,, ko hant ndi Mwari vanovhura
nzira pasina nzira here, saka hapana chinoramba. Ndakazongomupa CV rangu akaenda naro,,ko
raimbove neiko kunze kweiyo O level ne A Level. Ndakangoti Mwari CV rangu rave kuenda iri,,let your
will be done��.

Ndakazophonera mai Panashe ndichivabvunza kuti kwaive sei kwaana Melo nekuti ndainge ndaane time
ndisina kutaura naye. Kubva pandakapedzisira kutaura navo munaDecember vachitaura zvekuti
akarohwa naAndrew akabva angobva pawhats app. Ndaitoziva kuti airtime ndoyainge yoshaika chete
nekuti Melo aisatogona kugara asiri pawatsapp.. aitorwara zve akashaya watsapp.. Ehe ndozvazvinoita
ko hant yangove generation yema born whatsapp here? Ndakabva ndasendera mai Panashe message
ndichida kunzwa kuti how far.... Saka ndakangovati "Munhu waMwari uko muri kudozvigona sei?"
Ndovamwe vaigara vari paphone ivava ndaitoshaya kuti basa vaiita nguvai kumba kwavo nekuti pese
pandaiendera paApp ndaivaona vari online. Ndakaona nguva diki diki avo vaakutyper.. ko ndovamwe
vaida nyaya futi ivava... vaifarira zvekuspreader gossip,, vaisatana kuremerwa nedotcom. I stil remember
rimwe zuva pandainge ndichiri kugara pamba pavo apa,, pakamboita noise panext pedu paine vamwe
malodger vainetsana nenyaya yekuti paive paita umwe ainge asendeka mutoilet akasaflasher saka
vainge vaakungokandirana nyoka mhenyu kuti ndiwe umwe achiti ndiwe kusvika vaakutoda kurwa. Vedu
mai Panashe vakangonzwa noise panze vakati ndasaririra ndokutora bucket ndokurikwidibira kuti
vatsikirire vari padurawall so that vaizokwanisa kuona zvaiitika pamba apa. Vainge vakatovarairwa zvavo
vachiokera madrama emahara aiitika pamba apa apo vainge vakatorembedzera maoko mukati,, Zimbwa
repakare rakabva ravajambira ndokuvaruma paruoko,,, pavakascreamer vakakanganwa kuti vainge
vakatsikirira bucket ndokuti ngondo ngondo nemagadziko... Haaa zuva iroro ndakaseka kusvika mbabvu
dzaakurwadza.. Ndozvinoita kana uchida makuhwa stereki... vakazoswera vaakuchipatara nenyaya
yekuda kuzviita member yemadziro committee.Dzidzai kugara mudzimba dzenyu asikana woyeee!!!!

Vakazopedza kutyper ndokubva vasender message yavo yainge yakanzi " Hesi mai Tadi kuno kuribhooo
hako,, Andrew ndiye akatemwa nepoto naMelo mushure mekunge arega kudzoka kumba rimwe zuva"...
Ndakaseka hangu ndikati haasati atanga Melo,, achati baba nemuridzo. Aifunga kuti ndiye aizoita
favourite yaAndrew. Ndakazongoti " Inga zvakaoma ikoko" Vakabva vapindura zvikanzi "ma1 kani izvezvi
havasi kutaura vese". Ndakangoona kuti zvaiitwa naMelo nababa Tadisa aive mahumbwe chaiwo. Ingave
imba yekuti vanhu mogara muchirovana chete? Ndopandikatoona kuti Melo aitove gandanga chairo
nekuti aisanzwa kurohwa manje chainge chasara kwaive kutizwa osara ega. Andrew zvemadress
ndokwaive kwave kudya kwake saka chainge changosara kurambana chete. Ndakangoti hameno ikoko
ko hant zvinonzi aita chake ndihombarume plus hanzi kumedza zibhonzo kutemba huro....

Rimwe zuva yaitove wikend tichicelebrator birthday ramother vedu vataigara navo ava.. Vainge vasvitsa
35 years saka takangoronga kuvaitira kasmall party naCharity. Taitofara hedu tichiridza music tiri vatatu
kudaro ndopandikanzwa phone yangu ichirira iri patable. Ndakatombovhunduka kuti ko ndiani ainge
andiphonera nekuti isu taisaphonerwa zvekumhanya.... zvaitoyera kunze kwekuti vatori ana bamunin
kumusha vanenge vachitobiper kana kuisa macall back... eheka ko airtime vaiiwana kupi zvavo baba
vangu ndikasavatumira. Charity akabva adzikisa volume zvikanzi "enda unodaira call yako iyo"..
Ndakaenda ndokuwana munhu wacho achifona neLand. Ndakadaira ndisiri kana kutombofungira kuti
ndiani aifona. Pandakadaira ndakabva ndanzwa ari munhu wekubasa kwaana Charity aitaura kuti
ndaidiwa kuinterview Monday yacho. Ndakafara veduweee,, ndakaita kusekerera ndiri pafon kusvika
Charity azobvunza kuti ndaifarirei kudaro? Ndakazomuudza kuti ndainge ndadeedzwa kuinterview
kubasa kwavo zvikanzi "hant wazviona ka kuti naMwari zvinoita and i bet, u are not going to fail the
interview. Semunhu wamanager aitoziva maquestions aizonobvunzwa,, but akati aisandiudza aida kuti
ndiite zvinhu zviri straight. Ndakamunzwisisa ndikatoona kuti airevesa zvinhu zvese zongoda
kutungamidza Mwari pamberi.. Musafambe nekuona asi fambai nekutenda hamaweee!!!!Zuva rangu
rakazodoka chiso changu chichipenya nemufaro.... ndaitoona ndatove pabasa zvangu.. ko kutyei..

Wikend yainge yatondinonokera kupera nekuti ndaida basa veduweee munoti kugara kunombonakidza
here.. zvongodawo yako yekuisa muhomweso mari... Monday yakazosvika ndokupfeka pfekawo
kaformal so semunhu aiyenda kuinterview kaa.. ko hembe dzainge dzofitawo ka zvazvasiyana nepaye
pandainge ndiri kumusha padziita sedzakaturikwa pamuti. Ndainge ndisati ndambo attender kana
interview 1 muhupenyu hwangu asi ndakangopfugama ndikati Mwari ndizarurirei kwandiri kuenda uku...
Zvimwe zvodawo kutanga waudza Mwari vanhuweee kwete kungoita. Ndakabuda naCharity makuseni
tonanga kutown asi aingondisimbisa achiti ndisarohwe nehana hapana zvakanyanya zvaizonobvunzwa
saka ndakabva ndadzikamisa hana yangu,, kutodekara chaiko. Chandaiziva ndechekuti kana Mwari
vainge vambokwanisa kundiiitira nyasha dzekudeedzwa kuinterview havaizorega kundiwanisa basa.
Mwari vedu havasi Mwari vanosiira zvinhu panzira!!!

Ndakatoshamisika ndichisvikoona kuti tainge tadeedzwa kuinterview kwacho tingori 10 chete.


Ndakazviziva kuti idzi dzaingove nyasha dzaMwari bedzi nekuti ndaitoziva kuti vanhu vakawanda vainge
vaaplaya saka ndainge ndatongoitirwa nyasha. Chimwe chinhu ukaona uchitsvaga basa ,, pane vamwe
vanhu vekuti anotanga kuti heee basa ndoriwana nekuti HR ihama yangu,, umwe oti heee ndine
recommandation yaMP wedu saka basa ndoriwana,, umwewo oti hee secretary nhingi ihama
yangu...✋�Hazvisizvo zvinoitwa hama dzangu.. ukaona vanhu vachidaro muchitsvaga basa iwe nyarara
hako uchingoti nechemumoyo "Inin ndauya naJesu ndiye achandimiririra". I tell u,,ukavimba naMwari
hapana chinoramba!!! Ndainge ndamirira hangu kuti ndipinde muinterview... ndaitoziva kuti Mwari
havandirasise chete nyangwe zvikadii..........

CHAPTER 24

Ndakazopinda muroom maitirwa interview pakasvika turn yangu..maquestion acho aive easy zvekuti
ndaitonyatsopindura memaziku confidence.. Ndaingovimba naMwari nekuti ndivo vanotisarudzira
zvatinoda nekuzadzisa zvishiviro zvemoyo. Nyangwe dai ndaizonzi ndafoira interview i wasnt going to
loose hope nekuti ukaona zvimwe zvichiramba Mwari vanenge vaine zvimwe zviri nani zvavanenge
vachida kukuitira. Inga bible rinotaura wani pana Jeremiah chapter 29 verse 11 kuti _For I Know the
plans I have for you and thoughts of peace,and not of evil, to give you an expected end_… Hatifanire
kulooser hope vadikani,,there is always an alternative. Takazopedzerwa hedu ndokunzi taizoudzwa
maresults after 2days. Ndakaenda nekuoffice kwaCharity ndichinomuudza kuti ndaakuenda
kumba.Akangondisimbisawo kuti zvaizoita nezita raJesu.

Ndichisvika kumba ndaingonzwa mufaro mandiri nekuti ndainge ndaakutozviona ndiri pabasa zvekuti
mother vangu muwasu vakazosvika pakubvunza zvikanzi "munhu waMwari munoite happy kudaroo asi
maudzwa zvinotapire ba munzira umu?" Ndakaseka hangu nemutauriro wamother vangu ava,,
ndakangovati kwaingovewo kufara hangu paisave nechiripo. Two days dzakazodarika ndokubva
ndafonerwa zvichinzi ndainge ndapasa interview. Ndakafara veduwee zvekuti ndakapedzisira
ndaakutochema nemufaro nekuti basa ndoraive pamoyo pangu. Kana Charity akafarawo mufunge kuti
ndainge ndazowanawo something chekuita.

Mr Ashwin Singh ndoraive zita remuIndia aive nemashops aitengesa jewellary aya. Vaitengesa jewellary
yekwamberi chaiyo nekuti vaibva nayo kuIndia kunova kwavaive nefactory yavo Vaitegesawo zvakare
micheka yakanaka yekusonesa hembe yavaibva nayo India. Vaive nemba yavo ku Belvedere asi nguva
zhinji vaigara vari kuIndia kwaive nemhuri yavo. Basa takawana tiri 7 pavanhu 10 vainge vaattender
interview. Takazongogoverwa mashops ekuenda umo mataizenge tichitengesa nevamwe vainge vagara
varipo. Ndakafara nekuti inin pashop pandaive ndipo paishandira Charity asi aimbopota achibuda hake
achinoona zvaiitika kune mamwe mashops saka aisawanzobatika.

Ndainge ndatochinja nemazuva mashoma andainge ndatanga kuenda kubasa iwaya. Vana baba
kumusha ndakavaudza kuti Nyadenga ainge azarura masuwo.. eheka ko hant zvinonzi kana Mwari vati
hongu hapana anoti kwete and kana vovhura masuwo emaropafadzo hapana anovhara. Ndakanzwa
mainin vachipururudza paphone zvikanzi "aiwa ndiri kufara mwanangu,, ndaishuvira kuti ushandewo"..
Zvaingofadzawo veduweee inga bible rinotaura kuti _ukaita zvakanaka haungafariwo here_…
Ndakazopedzisira kutaura naTadisa zvikanzi "mama undivigire masweets" Ndakangoti horaiti mwanangu
but moyo wangu wakarwadza mufunge,, ndaida kuti mwana wangu agare padhuze neni, kwete kuti
mwana wangu anoita kushuvira masweets pamusoro pazvo achishuva mama. Zvaingorwadza
mufunge,,mwana wangu ndaimuda ndiye umwe wevanhu vandaishandira iyeye.

Ndaipota ndichibuda makuseni nemota yaCharity saka transport yaisave chinetso hayo. Mother vedu
vainge voswera pamba vari vega sezvo vainge vasisina wekutara naye. Rimwe zuva takasvika vakarara
havo poto ichitsva vakaita kufa nehope. Vari vamwe ana madam boss mudzimba umu vanotosvika
vachipopota heavy,,kuita kudya gaka neminzwa yaro kuti wapisirei poto,, but zvongowanikwa mufunge.
Munhu chaiye ane dzakati kwesere haangambopisa poto achida mufunge henyu kunenge kuri
kungovarairwa.. manje vamwe venyu mudzimba umu munototanga kupopota kuti unopisa poto yangu
senge wakambonditengera oto sei,, potse potse musikana webasa anogona kutonzi ndobata mari
yepoto yangu papay yako,,, tozviziva zvoitika mudzimba umu madzimai,, Musadaro !!!! kana paine
anodaro svipira pasi imbwa inonge,,hutsinye ihwohwo.

Ndakazonomutsa mother kuroom kwavo ndokuona vakaita kufa nehope. Ndakaita kuvazunungutsa
ndokuvhunduka vakananga vakananga kukitchen vachimhanya zvikanzi "maihwee poto!!!" ndakasara
ndichiseka zvangu. Vakasvika Charity atoibura aisa pasi. Vakabva vapfugama zvikanzi "sorry madam
ndararisa"Charity aitove munhu ane moyo munyoro hake akatoseka zvikanzi "mother mungapfugamire
ini mwana mudiki nenyaya yepoto kuti yatsva?".. Ndopandakaona kuti sahwira wangu aive munhu
aigarika naye mufunge ndaingoti dai Mwari vakamuitira zvidhafu dhafu muhupenyu hwake. Takazoseka
manje statement rakazorohwa namother zvikanzi "Yatsva pandange ndakaite rest mumba umu"...
takaseka hedu, ndopandakaona kuti mawasu havaregi kutaura kachirungu paevery sentence
yavanotaura.

Mazuva akafamba ndichienda kubasa semazuva ese pasina kana problem.Kana vari varume vaimbozama
kuyedza luck but ndaisada zvese izvozvo. ndonyaya dzandainge ndakamaka idzodzo ,,, ndaiita kuita
yekwaVharazipi iye kuti ✋ �hooo!!!!... ndaisada kuzvipinza muna taisireva,ndainge ndoziva hunhu
hwevarume. Ndainge ndoonekera zvekuti vanhu vese vandaiudza kuti ndine mwana vaizviramba kusvika
ndisisataure hangu... ko ndainge ndiine body diki zve ndainge ndoita sekasikana apo bvudzi rangu raiita
kusvika mumapendekete kuri kureba. Ndaisambozvivanzakuti ndonzi mai Tadisa asi vanhu vaizviramba
saka ndaingonyarara hangu. Charity aineta nekupopotera vanhu vaiuya kuzoti tiri kudawo munin'ina
wenyu. Ko varume vanomboda kupfuurwa nemadress here....

Rimwe zuva taitove busy kupukuta pukuta zvinhu mushop kuti zvigare zvichipenya... Ndakabva ndanzwa
a familiar voice kumashure kwangu sezvo ndaitove busy nezvandaiita saka ndaive ndakafuratira hangu.
Ndaisave munhu aiita zvinhu zvekuvhundukira hangu saka ndakaramba ndichipukuta pukuta necklace
yandainge ndakabata ndichida kunyatsoteerera kuti ndainge ndanyatsonzwa mushe here... Munhu uye
akabva asvika pandaive ndakamira asi ari nechekugotsi kwangu zvikanzi sister ndeye marii necklace
yamakabata?" Haaa apo ndopandakazonyatsoziva voice remunhu aitaura manje... Iye ainge asiri
kutoziva kuti ari kutaura nani sezvo ndainge ndakafuratira. Aive Andrew..

Ndakabva ndanyatsotendeuka hangu pore pore ndichitarisa kwaaive... akavhunduka kunge munhu
arohwa nebuka achindiiona zvekuti ndakamboda kuseka asi ndakazvidzora nekuti ndaisamboda
kusekereraAndrew kana ka 1 ndaitosemeswa naye hangu.Akavhunduka nezvandaive ndiri akangoramba
akavhura maziso ainge mbumburu kukura nekushamisika.Ndakazviona hangu kuti aida kutaura
something.. akabva ati "mai Tad... asati apedza ndakaona pauya kamwe kamusika kakasviko mubata
muchiuno kachibva kati kuna Andrew "bbe buy me this one yakabatwa nasister ava ndoyandiri kuda
hant wati munomu ndomunowanikwa manecklace akanaka?"... musika uye aitotaura achinongedzera
necklace yandainge ndakabata achitoratidza kuti aitodanana naAndrew. Andrew wacho ainge asisagoni
nenyadzi asi ndaitoshaya kuti ainyara ani nekuti ndiri seni ndaive ndisina kana basa naye aitozvinetsa
hake,,ndaitonzwira tsitsi ana Melody vaicheatwa kudai agere kumba achizviti ndini nyachide...shame

Andrew ainge angostiker akandiyeva apo kamusikana kaye kakabva kanditi sister ndipfekedzei necklace
yamakabata ndione kuti yakandifita here" Ndaive pabasa rangu ini saka ndaisave nebasa nezvakawanda
hangu ndakatotanga kumupfekedza ndisingambogaye hangu. Musikana wacho aitoratidza kuti aive
murima hake ndofunga ainge akanyeperwa kunzi ndiri mukomana hamenooo.. ko ainzi Andrew ka iyeye.

Musikana wacho ainge akanaka zvisingaiti zvekuti ndakamunzwira tsitsi.. Ko chakanaka chakanaka zve
handirege kucommenter nekuti ndainge ndakarwadziswa,,, aiwa ainge akanaka mufunge asi ndaitonzwa
tsitsi nemunhu waaiti bbe uyu aive mhuka,, apo aitove nana Melo vaaigara navo kumba ..nxaaa Andrew
aive womaniser chaiye... Musikana uye akabva ati "ndakafitwa here sister?",,, ndikati "aiwa machena
asikana you are looking good" haa kuzodaro Andrew ainge aita kunge anamwa muromo neglue plus
nyadzi.. Kamusikana kaye kakabva kati kuna Andrew bbe please say something ndakafitwa here?" kkkk
ndainakidzwa hangu nechemumoyo ndichingoti "daira ka Andrew? Akangozozhinya zvikanzi yaah
iribhooo enda unosanobhadhara achimutambidza mari.. Kasikana kaye ne over exitement kakabva
kamhanya kunobhadhara kachisiya Andrew akamira pandaive. Nechemumoyo ndakangoti shame.. ana
Melo vaitombodzitengerwa wo necklace idzi.

Patakasara tave two ndipo paakazotaura zvikanzi "ana Talent ndimo mamakutsvagira zvikomba muno
nhai?" Ndakasvotwa zvisingaiti nezvaainge ataura ndaizviziva kuti kwainge kwave kutaura kwekuvhara
nyadzi dzake.. Ndakangobva paaive ndisina chandataura ndokuconcetrater nezvandaiita. Kutaura naye
kwaitove kupedza nguva zvainge zvakangofanana nekutengesa mangai parufu.....

CHAPTER 25

Ndakatoona kuti Andrew ainge ongoita hupenyu hwekuteera marokwe and kutaura kwaakaita kwandiri
ndakazviona kuti kwainge kwangove kutaura kwekurwadziwa nezvandaiva.Aigotadza nei kurwadziwa
hant patakapedzisira kutaura pacho ainge andiudza kuti uchanofa nenhamo kumusha
ikoko.Ndakangomusiya akati tumbi paainge akamira achiita sekunge muroyi ayedzerwa handina kana
kumbomucheuka. Hameno kuti akazobva nguvai.. ndainge ndonzwira hangu Melody tsitsi nekuti aizviita
munhu anodiwa chaizvo.. masamba ainge asiyana,, zvainge zvave kwake manje. Kubasa kwangu
ndaishanda zvakanaka chaizvo pasina kana problem. Ndainge ndakatovhura account kuCABS yaive
padhuze nepandaishandira... eheka ko ndaitadza nei ko hant taive toshanda here nhai... tainge
tototarisira pay zve. Pandakanovhura account yangu ndakatoona kuti maive neumwe musikana
wandainge ndakadzidza naye kuChigondo ainzi Kudzi ainge atove bank teller imomo. Ndakashamisika
pandakamuona nekuti Kudzi iyeye pataidzidza angotambura tambura but zvaainge ave,,ndopandakaona
kuti Mwari vanosimudza marombe kubva muguruva zveshuwa. Aisave shamwari yangu kuchikoro nekuti
inin ndaitamba naCharity,,,

but munongozivawo zvinoitika muhupenyu kuti ukasangana neclassmate munofarirana kunge vanhu
vaive mabest friends. Ndakazvidemba shuwa kuti dai ndisina kumhanyirira kuenda kumurume pamwe
ndingadai ndave padanho riri nani,, but mongozivawo kuti dai agara haabetsere mufunge. Vamwe vangu
vainge vachiri vasikana chaivo vachizvishandira pasina kana stress asi ini ndainge ndatove single mother
nezera rangu iroro.Takazongopanana maphone numbers naKudzi zvekuti tainge totaura tese nguva
nenguva.

Ndakazorwadziwa nekuti Charity akazononzi aifanira kunoshandira kuna First Street uko kwainge
kwavhurwa mamwe maoffices saka tainge taakushandira kwakasiyana asi aiuya achinditora pakuenda
kumba. Charity akanditi taifanira kunotora Tadisa manje nekuti zvinhu zvainge zvagadzikana saka
takawirirana kuti taizonomutora patinoenda kuholiday yeEaster. Iniwo ndainge ndofunga mwana wangu
shuwa saka handina kumboramba kuti auye plus zvaive nyore nekuti mother vataigara navo ndivo
vaizosara naye plus ndainge ndoda kurerutsira mainin kumusha.Rimwe zuva ndaitove pabasa tave kuda
kuchaisa ndakaona tete mai Ezra hanzvadzi yababa Tadisa vaigara kumusha namama vachiisa macall
back pafon pangu. Ndaivada tete vangu ivavo mufunge,,ndiye munhu mumwe chete mumba maana
Andrew aindi suppoter pahanzvadzi dzake. Vainge vakatovengwa nevamwe vanin'ina vavo ava mai Fadzi
namai Prince nekuti vainzi vanowirirana neni asi vaisambozvitarisa... vaindinzwisisa ende ndiye munhu
bedzi akauya kurufu rwamama pahanzvadzi dzaAndrew. Ndakatoshaya kuti sei vaiisa macallback musi
uyu nekuti vaiwanzondifonera kana vaine airtime,saka ndakabva ndajucer phone yangu
ndokuvaphonera ndichida kunzwa kuti vaidei. Ndakafona ichibva yangopinda ipapo.. " Hevoi tete
makasimba here?"ndakatobvunza ndizere nemufaro nekuti ndainge ndave netime ndisina kutaura navo.
Vakabva vadaira zvikanz "haloo mai Tadisa muri kupiko ndiri muno mutown ndauya kuzotengesa fodya
yangu paTSF apo manje ndaenda kumba kwaAndrew ndikaona kuina mainin Melody vakaramba kuti
ndipinde mumba". Ndakarwadziwa mufunge nekuti hutsinye hwaMelody hwainge hwakanyanya.
Airambidz hanzvadzi yemunhu aibhadhara rent kuti apinde mumba. Ndakanzwa tsitsi nekuti zuva iroro
kwaitonaya sezvo kwaive kupera kwaMarch saka ndakashaya kuti saka aida kuti vaite sei. Unotoshaya
kuti aivengerei vanhu Melody nekuti vari satete mai Ezra vaisambove nebasa nemunhu.Vainge vatouya
kuzotengesa fodya yavo kumafloors saka vaisamboita 2days vari pamba pavo asi iiih Melody
ndaitoshaya kuti kwaive kunyima here kana kuti hutsinye. Ndaitombofunga kuti mama vainge
vakachinjirwa mwana muhospital chete nekuti hunhu hwaMelo hwaindikandisa mapfumo pasi. Zvino
ungave munhu here wekuti haudi vamwe vanhu muhupenyu hwako,unenge uchingozvida iwewe bedzi?
Hazvinzwaro!!!
Ndakazovabvunza kuti "muripi tete"zvikanzi "Ndiri paMarket Square ndangobva kuGlenora kwacho
ndichiti ndozokufonera ndasvika mutown sezvo uri kushandira muno" Ndakatonzwa nevoice ravo kuti
vaitodedera nechando sezvo kwainaya... ndakanzwa tsitsi mufunge. Ndakabva ndavaudza kuti varambe
vakamira ipapo ndaizouya kuzovatora nekuti ndainge ndatove padhuze kuchaisa kubasa. Ndakatanga
kufunga kuti ko sei tete vazofunga kufonera inini ivo vaine vanin'ina vavo two vaigarawo muGlenora
imomo. Ndopandakaona kuti zvakaoma mufunge... hama dzedu idzi dzakaoma zvamunoona...
Ndakazofonera Charity ndichimutsanangurira akati aizouya oenda neni kuMarket Square kunotora tete.
Sahwira hwangu ainzwisisa ndaiziva hangu kuti aisamboramba hake.

Nguva dzekuchaisa dzakazokwana ndokuenda tichinotora tete... Ndakaita sendichabudisa musodzi


pandakavaona mufunge.. vaive vakatota dress rese ravaive vakapfeka apo vakabata chisaga bag chaive
nemango nembambaira nezvimwewo nekabag paside uku vachidedera nechando. Ndakavabvunza
ndichishamisika nestate yavaive vari iyi,,"Ko tete kutota kudaro hindava?" ndakadaro ndichitora chisaga
bag chavaive nacho mumaoko kuti nditakure zvikanzi "Zvakaoma mai Tadisa, ndabva kumusha
zvakanaka naka ndichiti ndosvikira kwaAndrew sezvo mabhero angu efodya akasanouya nezuro nerori
yaSabhuku saka ndaburuka kombi kuchinaya ndokufamba kuenda pamba ndokunocker door saka
mainin Melo vabva vavhura ndokuona kuti ndini vachibva varidza tsamwa ndokurovera door ndokukiya
nemukati apo ini mvura yange ichingondipura ndiri pamusiwo ndopandazoona kuti hapana chekuita
kunze kwekuuya kutown kuti uzonditora plus ana mai Fadzi namai Prince havasi kudaira mafon avo".
Ndakabvuma kuti pane vanhu vane hutsinye pasi pezuva mufunge. Melo ndomboti aive mutorwa asi
nevanin'na vavo ava vainge vorega kudaira macalls futi munhu ari panguva yakaoma kudaro... Mwari
uyu haasi wemunhu one mufunge!!!

Takazopinda navo mumota yaCharity tonanga kwedu kuMarimba,,, apo vaidedera ndakabva ndakumura
kabhachi kandainge ndakapfeka kuti vapfeke vambodziirwa. Takazosvika kumba ndokuvapa hembe
dzangu dzekuchinja nekuvaitira cup yetea nekuti vainge vapindwa nechando. Ndakatanga kuvabvunza
nezvekumusha. Vakabvava vakati kwaive nani mai ndovaingochema negumbo ravo kubva pavainge
vasundwa naMelo paya. Ndakangoti inga zvakaoma zvikanzi natete... "Zvakaoma mai Tadisa,,
ndakazviona kare kuti munin'ina wenyu inzenza kubva kare nekuti ndakambovawanikidza
vachitsvodana kuseri kwekitchen yenyu kumusha husiku hwakaitwa nyaradzo yamai venyu" Yooogh
ndakashamisika nedotcom randaiudzwa natete iri ende ndakaziva kuti vaisanyepa nekuti vaivepo
kunyaradzo yamama. Ndakabva ndatoona kuti zvikara izvi zvaitodanana kubva kare.. apo vaitopisa rudo
panyaradzo shuwa shuwa vamwe tichichema kurasikirwa namai.Ndopandakaona kuti Melo aisambove
nebasa namama zveshuwa. Ndisati ndadaira vakabva vaenderera mberi zvikanzi "ndakavaona mbune
nemaziso angu aya ndikarova Andrew nembama akandi kumbirisa kuti ndisakuudze kuti ndozvandaona
thats why ndisina kukuudza ndaifunga kuti achabva achera chikomba zvino ibenzi remunhu" Ndakangoti
hazvina mhosva ko ndaive ndisisina basa naye Andrew wacho saka hazvina kundirwadza.
Takazokurukura natete pamwe chete naCharity ndokuzoparadzana tonorara hedu ivo vachibva vanorara
namother vedu muwasu. Ndichangoti rarei fon yangu yakabva yapinda message yeApp.Ndakatarisa
ndokuona kuti yainge yabva kuna Andrew. Iiih ndakatoshamisika kuti aidei kwandiri nekuti tainge
takapedzisira kutaura kare zvekuti number dzake ndainge ndakatodzideleter asi semunhu
wandakambogara naye ndaingodziziva nemusoro. Pandakangoona number ndakabva ndaziva kuti ndiye.
Ndakabva ndaopener mesaage yacho ndichida kuona kuti yainge yakanzii... ndokuona makanyorwa
mashura chaiwo yakanzi "Hesi bbe wangu ende mazuvano wabatana ndofunga zviri kuchengeta
zvikomba manje uvaudze kuti inin muridzi wako ndichiri mupenyu.. tichanetsana chete nekuti uri wangu
iwe gud night mwaaa.... Ndakaita kusvotwa nemassage yaAndrew iyi zvekuti ndakanzwa hasha nekuti
ainge oda kundijairira manje. Ndakabva ndamublocker ndokusiyana naye. Pandainge ndaakuda kudzima
fon yangu kuti ndirare pakabva papinda fut call nenumber dzenetone.. Ndakangodaira ndakadhinikana
ndisina kumbobvunza kuti ndiani ndokunzwa munhu aitopopota zvikanzi "Ehe haloo ikoko ndini
amadhuve amai vaAndrew ndingataurewo namai Tadisa here?" ,,, Ndakabva ndadairawo zvine
ruremekedzo mukati ndikati "Hevoi mama makasimba here ndini mai Tadisa?"Havana kana
kumbopindura zvandakavabvunza vakatanga nekutopopota zvikanzi "Imi vana imi makasikwa sei chaizvo,
izvezvi wakatiza mwana wangu ukasiya kamuroyi kako kumba uku wakadii kutakurana naye makaenda
mese mukuda kutojairira kudya mari yemwana wangu momutiza manje this time hakuna zvakadaro
hakapagare kanin'ina kako ikako".. vaiita kutaura vasingazorore apo vaideedzera ndofunga kana
kumusha ikoko vanhu vese vaitovanzwa kuti vari kupopota paphone. Ndakangocuter phone yangu
ndokudzima nekuti ndakatoona kuti nyaya yacho handaiigona ende zuva irori muyedzo yaive neni kubva
kuna mai kusvika kumwana. Ndakangosiyana nazvo ndokurara hangu.

CHAPTER 26

Takazogara natete 2 days fodya yavo ichibva yatengwa... mango nembambaira zvavainge vaigira
Andrew vakazotipa vakati tidye. Vakati handitsike kumba kwaAndrew futi as long achiri kugara
naMelo,,ndakamboyedza kuvadzoreredza vakati uko ndokwandaisamboenda manje. Ndakambofunga
kuti ndivaudze kuti mai vavo vainge vakandifonera vachipopota asi ndakazongosiyana nazvo ndikati
hazvina basa. Ndaishaya kuti vaipopotera inin kuti ndini ndainge ndadiiwo hangu hameno kuti vaitadza
nei kufonera iye Melo wacho vachimuudza mbune. Ndakatoona kuti vanenge vaimuzeza nekuti pari
pakunyenama Melo wacho aive juru zvaro..Takazoperekedza tete kuma kombi aienda kumusha
ndokusiya tavakwidza ari makuseni isu tomhanyira kumabasa.

March akazopera unova waive mwedzi wangu wekutanga ndiri pabasa saka pay dzedu dzainge dzapinda
plus tainge takaronga kuenda kumusha naCharity paholiday yaApril kuti tinotora Tadisa
nekumbonoonawo vabereki. Ndakabuda pamba iri wikend ndichida kunotora mari kubank sezvo
ndaizodawo kutengera vabereki grocery semunhu ainge ave kushanda hazvaizoda kuti ndiende ndiri
maoko. Charity ainge aenda kubirthday remukomana wake Sataday iyi saka ndakangobuda pamba
ndega ndakananga kutown. Ndakasvika mubank macho musina line rakakura ndokutora mari yangu
nekumbotaura zvishomanani naKudzi ndichimuudza kuti paholiday yeEaster yainge yosvika iyi ndainge
ndichida kumbosvika kumusha. Iye akati aisakwanisa sezvo basa rainge rakamuwandira saka akazongoti
ndinomhoresa hama neshamwari kana ndaenda....takabva taonekana ndokubuda hangu mubank
muye.Ndave pamusiwo ndakabva ndaburitsa phone yangu muhandbag ndokutanga kubaya baya zvangu
ndichitofamba ndakavarairwa. Ndichangoti pano neapo ndaakuda kutobuda mupavement yepabank
paya ndakabva ndadhumana nemunhu phone yangu ichibva yadonha... ndainge ndisina
kutombocherechedza munhu aive andidhuma nekuti pfungwa dzangu dzainge dziri paphone yangu
nekuti ndaida kuona kuti yainge isina kunyanyotsemuka here. Pandakakotama kuti ndiinhonge takabva
tanhongerana pamwe chete nemunhu ainge andidhuma uye ndopandakasimudza musoro ndichida
kuona kuti ndiani maoko edu ese tiri two aive paphone yainge iri pasi. Pandakasimudza chiso ndakabva
ndasanganidzana meso nemukomana uye. Ndakamborohwa nehana ndakamutarisa iye akangonditarisa
mumaziso chaimo. Aive a handsome guy wekuti hazvaida kumbotsanangurirwa nasomeone kuti aive
munhu wemari nekuti even mapfekero aainge akaita airatidza kuti munhu wemari.Akabva ati I am really
sory my sister nekudonhedzesa phone yenyu zvangoitikawo nemistake i didn't do it deliberatly"..
Akadaro achinditambidza phone yangu. Ndakabva ndangoti "its ok zvowanikwa ndichitambira phone
yangu iyo yainge yatsemuka tsemuka screen yese iyi. Ndakabva ndakangoikanda muhand bag
ndokutanga kufamba......ndisati ndambofamba kuenda kure ndakanzwa mukomana uye ave kuti "
hey,wait".. ndakamira ndokubva afamba kuuya pandaive zvikanzi "I 'm sorry once again"... aitaura
achiratidza kuzvininipisa chaiko achirevesa ndikati its ok haisi nyaya sterek ndokutanga kutofamba
ndichibva paaiva ari asi ndakazviona hangu kuti akaramba akanditarisa pandaifamba.Ndakangoita
sendaisazviona semunhu isave nebasa nevarume stereki.

Ndakazotenga tenga zvinhu zvandaida kuenda nazvo kumusha pamwechete nekutsvagira Tadisa hembe
dzekupfeka nekuti ndaiziva kuti kumusha ikoko hembe dzainge dzave madhende oga
oga.Ndakazodzokera kumba ndokumbotandara namother vangu sezvo Charity aisavepo.Ndakabva
ndaburitsa phone yangu sezvo ndainge ndanzwa kuti yapinda massage muhandbag mayaive. Ndakaona
mother vangu vachishamisika nekutsemuka kwayainge yakaita zvikanzi "Agh munhu waMwari ko fon
yenyu yaite macracks pascreen asi yamboite fall down ?'Ndakaseka hangu ndichibva ndati "ehe
yadonh"... handina kuzopedza ndokutonzwa yave kuringer.Ndakaona ari Melo ndikaziva kuti mazuva aya
miyedzo yainge yakandiwandira nekuti mazuva mashoma ainge apfuura ndopandainge ndakasenderwa
massage naAndrew pamwe chete nekufonerwa namai vake.. ndakaziva kuti painge pafonwa naMelo apa
kwainge kusina kunaka nekuti taisave nenyaya tese saka ndakairega ichirira ndisingadaire
zvangu.Yakarira kanenge ka4 achingofona ndisingadairi zvangu kusvika mother vazoti "ko chingodairai
munzwe kuti ari kudei munhu wacho" Ndakazodaira paakafona kechi5 ndokungoisa panzeve zvangu
ndisina kumboti haloo nekuti ndaida kunzwa kuti aidei,, ndaisada kana kumbomudaira.

Pandakangodaira ndichiisa panzeve ndisina kana kumboti haloo akabva atotanga kutaura zvikanzi "
Kusadaira macalls angu wange uchiziva nyaya yako ka?" Aaagh ndakatoshaya kuti nyaya yei yaainge
achitaura,, saka ndakangoramba ndiri zii zvangu ndichida kunzwa kwaienda nyaya yake nekuti kudairana
naye kwaitove kupedza nguva. Akabva atanga kuwawata zvikanzi "Ukuita basa rekusenderwa
mamessage nemurume wangu iwewe,, manje ndikakubata ndokutambisa chamutengure Talent,,,
kungoti handizive kwaunoshandira waindiona ndasvika ikoko kuzokutinha and gara wazviziva kuti
Andrew ndewangu ".. Akabva akacutter phone yake ndikaziva kuti message yandainge ndasenderwa
naAndrew yainge yaonekwa navanyachide..ndakatoseka hangu kuti aizviita kunge munhu akatobvisirwa
mari na Andrew.. shame! Ndakatoona kuti the best way yekusolver problem iyi kwaive kuchinja line
rephone yangu nekuti vese iye ,naAndrew wacho hapana kwavaizondibata nekuti muyedzo yacho yainge
yazondinyanyira... vaitondiona semunhu wavo. Ndakatozviona hangu kuti Melo aitozvinetsa nekuti
paitove neumwe wekumbotengerwa necklace naAndrew zvekuti dai aizviziva aitozvisungirira
pamudomasi.Aitopedza hake nguva yake kuphonera inin ndainge ndisina kana basa nemunhu waaiti
murume wake uyu....

Charity akazodzoka ndikamuudzawo mashura andainge ndaiitirwa naMelody zvikanzi chinja line chete
ndokuzvipedza. Holiday yakazosvika ndokubva taenda kumusha hedu naCharity. Takasvika bhoo vanhu
vakafara zvisingaite plus vanhu vaishamisika nemachinjiro andainge ndaita nenguva diki iyoyo. Iniwo
ndaifara kusangana nevabereki vangu pamwe chete naTadisa uyo ainge anzwa nekubvunza kuti 'mama
mandivigira here masweets amakataurira gogo pafon kuti muri kundivigira?"Ndakaona kuti mwana
wangu ainge akura zveshuwa nemutauriro waaita. Ainge atove ne 3 years 4months hake... Mwari
vaingomuchengeta nenyasha dzavo mufunge ende aisatombonetsa kuti dady vangu varipi, ndofunga
ainge atozvikanganwa kuti kune munhu anonzi dady panyika... dady vainge variko havo
vachingoteererana nemadress kuHarare. Takazogara kusvika holiday yapera ndiri pamba pevabereki
vangu apa and ndainyatsokuona kuti vaifarawo nekachinjiro kandainge ndaita. Baba ndainge
ndavatengerawo phone inoenda pawhatsapp... ko ndivo vasingadiwo phone inowhatsapura here....
Josiah naSusan ndakavatsvagirawo hembe pamwechete namainin. Ndakafara zvisingaiti ndichinzwa kuti
Susan mwana wamainin ainge abuda zviri nani pabvunzo dzavainge vanyora temu iyoyo.. at least aigona
kuzongozadzisawo zvandaishuvira pana Melo saka ndaingonamata kuti Mwari ngavarambe
vachimuvhura njere dzake arambe achiimprover pachikoro apa. Ari sa Josiah aisatombogona hake uyo
ndiye aive zero zvake, kungoti munhu aiteerera ndozvandaimudira. Pandakazoudza ana mainini kuti
pandaidzokera ndaida kuenda naTadisa vakarwadziwa mufunge zvikanzi " maaakutitorera munhu
aitivaraidza pano".. ndakavati aizopota achidzoka plus ndainge ndoda kumborerutsira mainin mutoro..
vakati hapana chakaipa saka ndakavavimbisa kuti taizopota tichiuya patinenge tawanira mukana. Melo
tainge tisisatombomuverenge pavanhu vemumhuri medu,, taingozvifarira takadaro and yakave holiday
yainakidza chose,, mainin vakandirongedzera nzungu,nyimo, mbambaira nezvimwe zvakawanda zvekuti
chakasara chine mudzimu wacho, zvimwe chete nevabereki vaCharity.. mota yakaenda yakazara zvinhu..
ndozvazvinodawo mufunge.. ukaitirawo vabereki vako zvakanaka haungafariwo here?

Takazoonekana todzokera hedu kuHarare kumabasa ,, Tadisa nyemwerero yaive kunzeve mwana wangu
kufarira mota.......
CHAPTER 27

Takafamba zvakanaka kubva kumusha tiri vatatu naTadisa wedu. Ndaifarawo kuti ndaakunogara
nemwana wangu mufunge ndichimuitirawo zvese zvaanoda...ndaisada kuti mwana wangu azodemba
kuti dai daddy vangu varipo vachindiitira zvakati.Ndaida kuita mai nababa vake zvese nekuti ndizvo
zvainge zvatovepo. Taifanira kuzotanga basa Tuesday yacho saka Monday yacho ndaifanira kuperekedza
Charity kumba kwemaparents emukomana wake uko kwaainge akadeedzwa nehanzvadzi dza Charles
mukomana waaidanana naye. Takasiya Tadisa aina mother,, vainge vatojairana nezuva rimwe chete
iroro. Takazoseka pakabvunzwa mother na Tadisa zvikanzi "uant munotaura sei imim?"... zvikanzi
namother manje " ZvaTadi yere asikana ndiri muwasu ini asi haunzwi zvandotaure ba?",,, takaseka hedu
apo Tadisa wacho akaramba akavatarisa hake ari zii zvikanzi "mama wasu chii?" ,,haaa takatoona kuti
nyaya yacho yaisatopera tikati mother sarai nemunhu wenyu uyu ndokubva tabuda naCharity toenda
hedu ku Mandara waive kumba kwaana Charles.

Takasvika tikatambirwa nemufaro kumba kwana Charles.. paive pamba pekuti waisada kutsanangurirwa
nemunhu kuti uone kuti vanhu vane zvinhu zvavo. Masunungukiro ainge akaita vanhu vacho wega
waitoona kuti pamba pano pazere nemufaro bedzi. Vari samai vaCharles wacho vaisambogona
nemuroora wavo mufunge. Ndakatanga kuimaginer kamuvengerwo kandainge ndakaitwa namai
vaAndrew ndikaona kuti vanhu tinosangana nezvakasiyana muhupenyu mufunge... vari saana tete vangu
vaitove kudivi ramai vavo zvinova zvinhu zvakaoma nekuti ukashaya support yaana tete mumhuri
imomo munorwadza kugara. Zviye zvekunzi hee ana tete vanenge vakadzoka kuvarume
ndovanonyanyonetsa mumusha,vamwe vanovati mareturn soldier,,, ndezvekunyepa zviye vanhu
vanosiyana mufunge. Mufamily maana baba Tadisa aitove return soldier wacho, ainge akadzoka
kumurume vanova ivo tete mai Ezra ndiye munhu aitonzwisisa kudarika vamwe vese.Zvekunzi ana tete
mareturn soldier ndovanonetsa kunyepa kuye,, munhu anenge agara aine hunhu wake mufunge...
espcially kana ari return soldier achinetsa nekutaurisa munofanira kuzvibvunza kuti ko icho chakamboita
kuti adzoke kumurume chii? ndopaunoona kuti munhu ndozvaari.

Ndakafara ndichiona sahwira wangu achifarirwa nana aunt vake ndikaziva kuti hazvaizonetsa pamberi
apa sezvatainge takaita isu. Ndaigaro namata ndiri musikana kuti Mwari handizodi mukomana anodai
nekudai,, asi Mwari vakaita kuda kwavo ende handivashore nezvakaitika muhupenyu hwangu nekuti
ndivo vanotonga .Chaivewo chishuviro changu kuti tigarisane zvakanaka naAndrew asi zvakakona n'anga
murapwi achida. Nyangwe dai ndakada kumisidzana naMelo tichirovana hapana zvazvaibatsira nekuti
Andrew wacho aisatombisiya chipfambi chake. Charity aigarondiudza ndisati ndaroorwa kutu "Talent
mukomana akanaka anobva kuna Mwari and zvinotodawo kupfugama uchinamata kuti Mwari ndinoda
akadai" Handidi kunyepa, madays iwayo ndaisambove neshungu nekunamata zvekuti ndaitoona zvisina
basa kuswerero bvunza Mwari nezvemukomana kuti ndiye chaiye here.Rimwe zuva ndichiri kurangarira
Charity ari kumba kwedu mazuva andaipisa pisa naAndrew wangu,, akatotaura mukuseka akati
"madzimai Andrew wenyu uyu makatombobvunzawo Mwari here kuti ndiye chaiye anoita, kana kuti
muri kungowanza dzungu chete?".. Ndakatozozviona kuti sahwira wangu aiporofita mukutaura mufunge,
otherwise dai ndakanyatsotora nguva yangu ndainyatsoona hunhu hwemumwe wangu nguva ichiripo,,
but munongozivawo dzungu ratinenge tiinaro vasikana,, ukapihwa mari uchinzi bbe rukwa musoro,
uchitengerwa tengerwa zvinhu, musi webirthday rako uchitengerwa zvidhori nekuvigirwa maruva,
unobva watoona kunge watodiwa stereki, wotoona kunge ndoinonzi true love yacho,,, Kunyeperana
kuye hama dzangu!!! Zvese zvekutengerwa mazimudhori uchimarongedza pabed nekupiwa maziruva
hazvibetsere zviye. Kana munhu angori nehunhu hwake haachinje!!!

Takazobikirwa tikatandara nehanzvadzi dzaCharles and vaive vanhu vakasununguka zvisingaite kwete
zvekuti munhu ukasvika pamba pavo anenge akangoisa muromo mumunho zvekuti unotadza kunzwisisa
kuti asi akagarwa nedhimoni rekusada vanhu, kana kuti pane zvimwewo. Dzidzai kungosunungikawo
mufunge kana masvikirwa nevayenzi mudzimba dzenyu,zvoitawo kuti munhu ashanya arerukirwe,,
kwete kuti ukashanyirwa wongoramba uri zii uchibaya baya phone. Tainge tisina kuenda nemota saka
takazoperekedzwa naCharles nemota yake kunotisiya kumba.

Charity ainge atove musikana mukuru asi handina zuva randinganyepa kuti ainonoka kudzoka kumba
aina Charles. Ndakatoona kuti aitove munhu akangosikwa aine hunhu wakanaka hwaiyemurika.
Ndozvazvinodawo kumunhu wemusikana kwete kuti munhu anotora advantage yekuti hapana
anondiona kana kunditsuura, Vamwe vanhu vamunoona mumachurch umu vachichata vari mukomana
nemusikana zvimwe zvacho musazviyemure,,, rimwe rinenge rangove zita, kuti musikana nemukomana
asi vanhu vanenge vakazivana kare zvavoo...munhu anozosara ochata atove nenumbu ine 1month kana
2 months imi muchipururudza kuti vana vadadisa vachata vari jaya nemhandara. Ngatidzidzei kupa
nguva mukana vanhu woye,, tikadaro zvese zvinotinakira.Mukaenda pana Psalms chapter 20 paverse ya
11 panoti _For the Lord God is a sun and a shield, the Lord will give grace and glory, no good things will
he withold, from them that walk uprightly"_ Fambai mukururama vasikana wee!!!

Takazoenda kubasa mangwana acho tikasiya Tadisa aina mother. Ndakazorangarira kuti ndaifanira
kuchinja line rangu kuitira Melo na Andrew wake,, vainge voda kundijairira saka ndaida kuona kuti
vaizondibata payi apo phone yacho yainge yaparara screen yese iyi. Makuseni acho ndisati ndatanga
basa ndakapfuura nepaEconet shop ndichitenga line nyowani... apo zvinobhowa, unenge wakufanira
kuudza vanhu kuti ndaakuchinja number... ndaingopinziswa busy nana Melo vaiita kunge vasina
kukwana.

Pandakasendera Kudzi mesage ndichimuudza kuti ndachinja number akabva atondipinzira call paline
rangu rekudhara,, ndakadaira ndichida kunzwa kuti aidei,, " Uri cei hama,, kwakadii?" akabva adaira
zvikanzi ndiri bhoo Talent ndandichida kukuudza kuti ndine birthday party on Sataday saka ndiri kuda
kuti uuye shaa " Inin zvemaparty ndainge ndisina kukura mazviri mufunge saka ndakamboda kuramba
asi akandikumbira zvekuti ndakapedzisira ndaakunyara kusvika ndabvuma. Ndaisazviziva ini zvemaparty
izvi apo akati yaiitwa manheru futi kutanga na 6pm Ndakazomubvunza mafambiro andaizoita nekuti iye
aigara Kubudiriro 3 kunova kwaaigara natete vake. Ndakazobvunza dress code akati kwaidiwa madress
ered kuvakadzi ndikamuti ndaiuya. Akati ndaizomuphonera kana ndasvika pagate. Ndichingogadzika
phone pasi yakabva yapinda futi message asi yaisave yewhatsapp yaive sms, Pandakaivhura ndakaona
iri ya Andrew,, nxaa ndakatoona kuti aitondivavarira apo message yacho yaive yakanzi " wakandibloker
pawhatsapp manje uri wangu nyangwe ukadii and i will do anything to win you back my sweet angel
Tale" ... Ndakabva ndabvisa line riye muphone ndokurityora ndokuisa nyowani randainge ndatenga.
Ndaida kuona kuti nonsense dzake aizodzitaurira kupi. Ndaiita kunzwa hasha ndikangofunga nezvezita
rekuti Andrew nekuti ainge ave kutoda kuva a threat mulife yangu. Ndakazongosiyana nekufunga
nezvake ndokutanga basa nevamwe nekuti musoro wangu waitopedzisira worwadza nekufunga zvisina
basa

Sataday yakazosvika panove pandaifanira kuenda kuparty kwaKudzie manheru acho.. Charity
aitondiseka zvikanzi "muchenjere kudzoka kumaparty kwenyu madhakwa uko musanoite dzungu
nedoro" ... doro ndochinhu chandaivenga muhupenyu hwangu ndosaka ndaisada kuyenda nzvimbo
dzemafaro idzi nekuti unopedzisira wadhakwa ukarasa hunhu zvikazoita zvenhando.... ndakamuudza
kuti doro ndaisabata plus ndaida kuzokasika kudzoka kumba.

Ndakazogadzirira kumasix dzemanheru ndokupfekawo dress rangu rered raidarika mumabvi nemaheels
acho ainge asina kunyanyoreba hawo.... eheka ndozvazvinoda kwete kupfeka mazigogo maziburuka
mumango ekuti unozofamba uchiita kunyangira pasi ukapedzisira wadrawer attention yevanhu.Pfekai
zvinornderana nemi!!!Charity akamboda kuti ndonokusiya ndikamuti azorore ndaizoenda nemakombi....
apo chikombi chacho chandakakwira chaitonanaira hacho zvekuti ndakazosvika kwatove kumapast 7
dzemanheru
Ndakafamba semaudziro aainge andiita kusvika ndasvika pagate pavo. ... apo noise yaibuda nepagate
ipapo ndakangoziva kuti maifarwa,, ndakangoti zvemugheto zvakaoma chokwadi kana manext door avo
vaisambknzwanana mudzimba dzavo.Ndakazophonera Kudzi ndichimuudza kuti ndasvika pagate akati
ndimire aiuya kuzonditora.

Paakauya kugate akauya nevamwe vasikana two apo mapfekero avo vainge vakapfeka hembe dzainge
dzakanamirana nemuviri zvekuti ndaitoshaya kuti vainge vatanga vazora derere here kuti dzipfekeke
uyuwo Kudzi ainge akapfekawo kashiketi kanenge bhandi hako, ndakangoti aya ndomasahwira aMelo
nekuti pamupfekero vaienderana. Akazondi introducer kuvasikana vaye akati vaive maneighbours ake
ndokuzofamba tichipinda mukati umo mainge makazara vanhu, vamwe vaitamba vamwe vainwa dororo
zvichingodaro. Pandakasvika paive nevanhu I could see kuti vanhu vaingonditarisa tarisa nekuti ndini
chete ndainge ndakapfeka dress refu pavanhu vese vaivepo,, ndakaona kuti nyika yachinja zvedi,,, vanhu
vainge votoshamisika nekuti ndainge ndakapfeka hembe refu yooogh. Kudzi akazondivigira glass raive
newhisky ndikati handinwe zvikanzi haidhake inwa kani asi ndakarambisisa. Imo mukunwa twudoro
twunonzi hatudhake twunongotapira chete ndimo mukupedzisira wanakirwa ukanwa hobho
ukadhakwa.... saka ndakarambisisa kusvika andipa juce. Vanhu vaitamba vachiita dzavaiita ndakatyora
hangu nekuti ini zvekutamba zvaisave mandiri. Akazoimbirwa vanhu vakabvisa mapresents
ndikabvisawo mari, cake rikadyiwa haiwa paifarwa kani.

Pakazoti vanhu vaneta nekufara painge paakuda kuitwa gochi gochi apo dzainge dzave kuma past 10
dzemanheru. Ndakaudza Kudzie kuti ndainge ndaakuda kuenda akati ndimbomira aizondiperekedza
nemota yemuface wake... ko ndaigotii. Ndakatanga kufamba famba hangu ndichiona hedge yepamba
apa yainge yakachekererwa zvaiyevedza ndichiitira kuti nguva dzifambe nekuti zvegochi gochi zvaiitwa
nevamwe izvi ndaisazvida.... eheka nyama ukada kudziwanza pane vanhu unoita manyoka ukazorara
ugere mutoilet.

Ndiri busy kutotarisa hangu imwe yainge yakachekererwa nechepakona, pakabva pauya umwe
mukomana aidzadzarikawo ndofunga aida kuenda kutoilet yaive nechekuseri apo ainge akadhakwa
hake... akabva adarika nepandaive achindidhuma hameno kuti aisandiona here. Ndakatadza kubalancer
nekuda kwemaheels andainge ndakapfeka zvekuti ndainge ndaakuda kuwira pasi,, iye akatoramba
achienda hake haana kana kumbocheuka. Ndaakuda kutodonha ndopandakanzwa kuti pane munhu
ainge andigamha akandibata neche mumapendekete umu. Pandakacheuka kuti ndione kuti aive ani
ndakashamisika.....

Aive the same guy ainge akambondidhuma ndichibuda mubank phone yangu ikadonha.... Takaramba
takatarisana mumaziso chaimo pasina aitaura nemumwe...apo ainge achiri akangondibata.. muchenero
waainge akaita nemunakiro wake maybe ndozvakaita kuti ndirambe ndakamuyeva hamenooo... iye
ainge akangonditarisawo mumaziso chaimo zvekuti takatozovhundutswa naKudzie akasvika pataive
achiti" Both of you murikuno ndandichikutsvagai kaini "Ndipo paakandiregedza zvikanzi naKudzie ko sir
munozivana naTalent nhai?"apo tese tainge takangonyarara zvikanzi naKudzi "Tale ,he is my boss ndiye
branch manager wekubasa kwedu anonzi Kelvin ndavainviter wo kuparty yangu and sir uyu anonzi
Talent she is my friend ndini ndamuinviter pano"... Akabva atambanudza ruoko rwake zvikanzi "

nice to meet you Tale ��............

CHAPTER 28

Ndakazongotambanudza ruoko rwangu ndichikwazisa boss vaKudzie ava asi ndainge ndaakuita
sendanamwa muromo ndakangogutsurira, zvikanzi naKudzi handei kuseri kune vamwe. Takaenda
tikanogara pane vamwe tiri vatatu, naKudzie asi ndaitoona kuti umwe wangu ainge adhakwa apo ini
ndainge ndaakunzwa hope ndikamuti ndave kuda kuenda kumba. Kelvin aive akagara hake asi
aitoratidza kuti zveparty zvacho zvaitomubhowa and aitoratidza kuti hadzisiidzo type dzekubuda shavi
regochi gochi pamaparty. Pandakaudza Kudzie kuti ndaakuda kuenda kumba akabva ati " I wil drop you
unogara nechekupi?" Ndakamboda kuramba kusvika Kudzie andimanikidza. Ndakazobvuma
ndaakunyara ndokufamba tichienda kumota yake...Akasviko ndivhurira door kuti ndipinde mumota
ndokupinda ndiri zii zvangu asi ndainyatsonzwa kuti ndakagara mubango remota even though ndisina
kuona kuti yainge yakaita sei.

Takafamba kadistance pasina aitaura neumwe asi aingonditarisa tarisa ndokupedzisira andibvunza
zvikanzi "Unogara nani nhai Talent kumba kwenyu?" ndokubva ndati ndinonzi mai Tadisa,
ndokunditarisa zvikanzi "ishungu dzekuita mwana here nhai Tale?"...ndakabva ndanyarara hangu nekuti
ndainge ndave nehope saka ndaive ndisina nguva yekuswero kakavadzana nemunhu apo ndiye
aingotaura ndichingopindura zvaanenge abvunza. Akazondiudza kuti aigara kuSoutherton ndikangoti
hoo,, ndainge ndaakuda zvekunorara ini zvizhinji ndainge ndisisina basa nazvo.

Ndichisvika pagate pedu ndamuti thanx ndichivhura door... apo door racho ngariite manyemwe
ekuramba kuvhurika nhaimi.Akamboramba akatarisa ndokuzoona kuti munhu ari kutotambura
nekuvhura door ndipo paakati mira ndikuvhurire achiswedera kuseat kwandainge ndigere kuti avhure.
We were so close zvekuti akapedzisira anditrisa kuface zvekuti ndakashaya kuti avarairwa nei
akandiyeva apo ini wacho ndainge ndaakuita sendichafreeza zvangu nekunyara kutariswa kudaro.
Rakazovhurika ndokubva ndabuda zvikanzi good night Tale✋,handina kumbodaira hangu ndokubva
ndafamba ndichinovhura gate akangomisa mota yake,, ndokubva azoisimudza ndatove mukati
ndokufamba ndichipinda hangu mumba. Vanhu vese vaive varara muri zii sezvo ndaive nemakeys angu
ndakangovhura door ndokutonanga muroom mangu kunorara..
Mangwana acho ndakanonoka kumuka zvisingaite zvekuti ndakatozoitwa kumutswa naCharity
achindiseka zvikanzi " tiudzei munhu waMwari kuti kwaive sei kumafaro nekuti kamurariro aka munenge
maijaivha zvekwamberi?"... akadaro Charity achibvisa blanket randainge ndakafunga ndikati " haaa
kwaibhowa uku " zvikanzi " howo nhai?" ndikati ehe zvikanzi chimuka ugeze mother vaakutopedza
kubika.Ndatoona kuti zuva iri ndakanonoka kumuka zvisingaiti,, zvakatondishamisa wo kana
neni.KaTadisa kakauya muroom mangu kachimhanya zvikanzi "mama nezuro ndarara namama Charity
asi mainge maenda kumba kweshamwari yenyu?" Ndakangoti ehe mwanangu nekuti ndainge ndatoona
kuti mubvunzo yacho hayaipera. Patainge taakunwa tea ndakabva ndanzwa mother muwasu vaakuti "
Mai Tadisa asi makaitwe drop nasome1 ndaona mavhiri emota pandange ndichitsvaira kunze kwegate
uko?"... haaa ndakanyara mufunge apo ndainge ndisina kuudza sahwira wangu kuti ndakasiiwa
nasome1pagate ,, akabva anditarisa zvikanzi " tiudzei ka asikana asi makandiwanira bamunin here
kuparty uko?" Ndakangoseka seka ndikaita sendisina kuzvinzwa hangu ndakatozobatsirwa nephone
yangu yaive yarira ndokuona ari Kudzie afona ndokudaira,, Aindibvunza kuti ndainge ndakafamba bhoo
here ndikati ndakafamba bhoo zvikanzi ini ndiri kutomuka izvezvi shaa apo ndakarohwa nevakuru
vebhabharasi"Ndakamuseka hangu tichibva tataura zvimwe ndokuzocutter phone yake.Ndaifanira
kuenda kuchurch but ndainge ndakangofizuka saka ndakangoti ndozozviona next Sunday.

Mangwana acho ndakaenda kubasa semazuva ese,,, pave palunch ndakabva ndanzwa kuti pane munhu
aindida panze ndikatoshaya kuti aive ani yeye. Hana yangu yakarova nekuti ndaifunga kuti ndi Andrew
chete hapana mumwe. Ndakabuda ndichitofamba hangu mbichani mbichani ndokuona ari Kelvin ainge
akatozembera mota yake. Ndakashamisika kuti kuti ainge audzwa nani pandinoshandira ndikaziva kuti
ndiKudzie chete nekuti ndainge ndisina kumbomuudza kuti ndoshandepi. Ndakasvikomu mhoresa
zvikanzi " Ndauya kuti tiende tese kulunch" ndikati "kupi" zvikanzi tongotsvaga any restaurant iri
padhuze, apo akadaro achitondivhurira door remota yake... zvekuti zvaisaita kuti ndirambe.... ndakabva
ndangopinda but ndainyara.Takazongoenda paive neimwe restaurant yaive padhuze ndokunodya but
ndainyara zvisingaite semunhu wandainge ndisina kujaira .Patainge tave kudzoka akabva anditi ndipoo
number dzakoTale ndikamuti ndinonzi mai Tadisa and akazviona kuti ndaive serious zvikanzi " howo,saka
baba Tadisa vari kupi ndikamuti its a long story,, zvikanzi ndichato believer ndaona Tadisa wacho nekuti
Kudzi pandakamubvunza nezvako haana kumbondiudza kuti une mwana saka unege uri
kundinyepera.Akazondikumbira number dzangu ndokumupa zvikanzi ndoda kuita shamwari yako
ndokubva azondisiya pabasa sezvo lunch hour yainge yavekupera. Ndichipinda mushop mandaishanda
ndakabva ndadeedzwa neumwe musikana wandaingowirirana naye zvikanzi "Pambouya umwe murume
ange achikutsvaga muno ati ndinonzi Andrew hanzi ndichadzoka"... haaa ndakabva ndapera power
nekuti ndaitoshaya kuti Andrew aidei kwandiri. Ndakangoti howo zvikanzi eh atombokumirira kwenguva
refu kusvika azoenda asi ihama yako?",, ndikangoti eh ihama yangu ndichiitira kuti asarambe
achindibvunza. Ndakatoona kuti Andrew aitondivavarira,manje aitotambisa nguva yake nekuti
ndaisambofa ndakamuda muhupenyu hwangu zvakare....

Pandakachaisa kubasa ndakamira hangu panze ndichimirira kuti Charity auye kuzonditora tiende kumba.
Ndichiri ndakamira kudaro ndakangoona Andrew asvika pandaive zvikanzi "hesi babe wangu ndange
ndakatokumirira ndambouya palunch ndikakushaiwa wange waendepi?" ... apo aitotaura achiswedera
padhuze neni zvekuti ndakasvotwa zvisingaiti nechihunhu chake ichocho ndichibva ndaramba
ndakanyarara ndichisuduruka paaive apo ndakatorova serious chaiyo, zvikanzi " hmm ana Talent
musaite semusingatizive apo asi ukuda kutoshamisira nekamupfanha kandaona uinako mumota maskati
manje ndichakabvisa chiri kumeso kazive kuti vakadzi vevanhu havatambwe navo" ,, nxii ndakasvotwa
chaizvo zvekuti ndakaramba ndiri kwindi zvikanzi " uri wangu iwewe ngatigadzirise zvinhu tichengetane
kwete zvekamunin'ina kako kahwiza kari kumba uko" Ndakatoona kuti Andrew aitondiona sendakapusa
chaizvo inini,,apo aitove munhu aitoona sekunge asina kumbonditadzira hake. Palunch ainge atobva
kubasa kwake uko kuuya kuzonditaimira kuti aone mamovements angu manje aitotambisa nguva yake
zvake nekuti aitondisemesa nezvaaitaura zvekuti ndakakungura kunhonga dombo kuti ndimuteme.
Iyewo Charity akabva anonoka kuuya kuzonditora nekuti ndaida kubva paive paina Andrew apa. .

Paakaona kuti ndiri kumuignowa akabva atanga kutaura zvekufinhura zvikanzi "waakutodada ka neitwo
twuzvikomba twuri kukuchengeta manje havandizive mushe, zvichapera izvo",, ndakaramba ndinyerere
zvangu ndazara nehasha zvikanzi "Uuye utore kahwiza kekumba kwenyu handichakada ini, kapfambi
ikokaya ndinokaisa payi?" Zvese zvaaitaura izvi ndakatoshaya kuti aindiudzirei nekuti ndaisave nebasa
nazvo.. apo akabva andibata ruoko zveginya chaizvo zvikanzi pindura iwe usaite sewakavharwa muromo
apo aitondiminyura ruoko rwangu zvekuti ndakatanga kuchema nehasha pamwe chete nekurwadziwa
zvekuti maziso angu ainge azara musodzi. Handizive kuti Charity akasvika nguvai pandainge ndimire apa
aina Charles mukomana wake zvekuti akasvikorova Andrew imwe mbama yakarira zvekuti
ndakavhunduka kana neni wacho nyangwe nanhasi.. handizivi kuti akariwanepi simba iriro Charity.
Ndaifunga kuti Andrew wacho achatora action but akangoramba akavhura maziso akabata dama rake
raainge arohwa ndofunga aitya kurova Charity nekuti Charles aivepo.Ndakaona kuti Charity ainge ave
nehasha nezvaainge aona ndichiitwa naAndrew achibva atanga kutaura zvikanzi "Andrew tinyarewo
wazvinzwa,, ndakuona hangu kare pandange ndichiuya uchimumonyorora ruoko nemazi dirty hands ako
iwayo ange akuita sei Tale wacho?" Ndakaona Andrew uye angoti zii zvikanzi naCharity haunyare
wakaita sei nhaiwe hant wakamusiya waona kuti Melo ndiye chaiye anoita so uri kudei kwaari?"
akangoramba ari zii zvikanzi " don't ever come back here zibenzi remunhu zirombe enda kune pfambi
dzako uko kwete kuswerero shungurudza mwana wevanhu" Akadaro Charity akandibata ruoko tichienda
kumota yake tiri three na Charles ndokungosiya vaAndrew vangu vakati tumbi asina kana chekutaura.
Ndakatoshamisika nekamunyarariro kaainge aita apa nekuti manyemwe ainge abva kuita Charity asati
asvika aitobhowa. Takanopinda mumota ndokuenda tichimusiya akangomira paaive.
Kubva zuva iri handina kuzombonzwa nezvaAndrew futi ndainge ndakugarawo ndakasununguka nekuti
ainge otoda kundishaisa mufaro. Kelvin aipota achiuya kubasa kuzondiona zvekuti takapedzisira tave
mafriends zvekuti ndakatozoziva pave paye kuti aive mudiki kwandiri ne1 year plus ainge ave kutoziva
kuti kuna Tadisa saka madhiri ekudanana ndaisatombo mafunga kana ka1 hangu.Iyewo haana musi
waakambotaura nezvekudanana. Tainge tatove mafriends chaiwo zvekuti Charity akatombotanga
achiramba kusvikira azoona kuti painge pasina iripo. Ndainge ndisisina kana pfungwa dzekudanana
nemunhu kana ari saMelo ndainge ndisisazive kuti airarama sei life yake plus ndaisavawo nebasa naye.

Rimwe zuva ndaitove kumba zvangu iri wikend ndopandakati regai ndifonere mai Panashe ndimbonzwa
kuti vari cei nekuti ndainge ndave netime ndisina kutaura navo.Ndakabva ndangovaisira message paApp
ndikati "muri cei munhu waMwari it has been long time tisina kutaura " Semunhu aigara ari online
vakabva vapindura zvikanzi "ndiri bhoo mai Tadi ndaimbotraya kukuphonerai phone yenyu isingaiti
ndaida kukuudzai kuti "Andrew ,akawuyisa kamwe kamusikana pamba ndokubva Melo akarova achibva
arohwa naAndrew zvakaipa zvekuti akatombofenda ndokuendeswa kuchipatara naiye Andrew... wacho
akatombosungwa nemapurisa akavharirwa 2days nekuti zvainge zvaonekwa kuti ainge arova munhu
akazvitakura nekuti Melo wacho ave nenumbu ine 1 month.."Ndakangoti Aagh howo inga zvakaoma
ikoko ngavapedzerane" zvikanzi "zvakaoma kani mai Tadi apo nezuro aikandirwa mabag panze nababa
Tadisa achinzi "ibva pano handichakuda uri pfambi".. Ndakatoona kuti hupenyu hwake hwainge hwoda
kuvava manje nekuti kwekuenda ndokwaaizoshaya. Ndakangoti hameno ikoko ndiri seni ndaisamboda
kumuona pamberi pangu.......

CHAPTER 29

Ndakanyatsoona zvangu kuti hupenyu hwainge hwazomuomera Melody,asi hapana chandaikwanisa


kumubatsira nacho nekuti ainge akakonzeresa kuti hupenyu hwangu kuti huite dombo so ndaingoti
hameno ikoko Mwari ndovachamuranga.Ndakabva ndatosiyana nekufunga nezvake hangu nekuti zvaive
pachena kuti Mwari vainge votonga havo ndosaka zvichinzi chitema hachidzorerwe. Ndakatanga kuve
serious nekunamata muhupenyu hwangu nekuti ndaida kuti pamberi apo nyangwe dai
ndaizosanganawo neanondida ave munhu akatendeka anoziva Mwari.Mwana wangu ndaingotenda
Mwari nekuti aikura zvakana chose zvekuti gore rwitevera racho ndaitofanira kumuendesa kupre
school... kana kurikumusha ndaingofona apo neapo ndichitaura navo zvinova zvinhu zvaindifadza
chose.Melo kubva musi wandaudzwa namai Panashe kuti hupenyu hwake hwainge hwaminnama
handina kuda kutozombofunga nezvake kudzamara vazondiisira futi message paapp rimwe zuva zvikanzi
" mai Tadisa munin'ina wako ari kutamba nhamo kuno,, Andrew haacharara pamba anogona kuita week
rese asipo apo iye anenge asina chikafu chekudya,, ukaona muondero waaita hauzodi". Kutaura
chokwadi pane zvese zvakataurwa namai Panashe hapana kana chimwechete chakandibata kana
kundirwadza nekuti ndaingoti ndikafunga zita rekuti Melo ndaitanga kuona hutsinye hwaakandiitira
nenhamo yandakaona saka hapana chandaikwanisa kumuitira. Kana kuri kushaya chikafu aitofanira
kutsanya ko hant ndivo vainyora pamastatus kuti toiranga nyama vamwe muchiirangarira. This time shiri
yainge yabvuta rhekeni ndiye ainge ave kupanga chikafu zvino vamwe tichichiranga. Ehe ndozvinoita
Mwari mufunge,,, vanongovhura nzira pasina nzira ndosaka zvakanzi mubible zvinongoda faith shoma
shoma yakaita sesmall seed kuti zvinhu zvishanduke. Ndaingotenda kuti Mwari havandisiye ndakadaro.

Rimwe zuva Charity akaenda kuBulawayo nebasa saka zvaitoreva kuti ndaifanira kuzodzoka kumba
nemakombi nekuti aida kunoona pane imwe nzvimbo yaida kuvhurirwa imwe shop yejewellary saka
zvaitoreva kuti aitononoka kudzoka. Sezvineiwo Kelvin akabva aphona pari palunch zvikanzi kana
wapedza basa ndiri kuda kukuona ndikati horaiti sevanhu vaitamba vese handina kunyanyoshamisika
nazvo stereki. Musi uyu takabva tanzi kune stock take saka yaive busy busy chaiyo zvekuti takanonoka
kubuda ,, takatozobuda kuma past 7 dzemanheru. Vaida kuona kuti tiri kunyatsoita zvinhu nemazvo
here nekuti twunhu twaitengeswa mushop umu twainge twakanaka, especially twuma necklace saka
munongozivawo kuti munhu mutema anokumbirira mumoyo, saka vaida kumbocheker kuti zvakamira
sei saka takanonoka kubuda and everything was fine hapana chainge chakashoteswa zvinova zvinhu
zvakafadzawo maboss edu. Eheka zvinongodawo kuvimbika mufunge muhupenyu, kwete kuswero
nyeperana kuti hanzi mombe inodya payakasungirirwa... hakuna zvakadaro! Ukangoita zvinhu zvako
wakavimbika u will see kuti nyangwe vanhu kana macompany atinoshandira vakasa appreciater asi
Mwari havarege kutikomborera.Nyangwe ukaona kuti wandiri kushandira haasi kumboonawo maefforts
andiri kuita usaore moyo nekuti unozotendwa naMwari pamberi apo,, ko unodirei kutendwa nemunhu,,,
Mwari ndivo vanotiropafadza kana tikaita zvinhu nemoyo wese. Inga bible rakataura wani kuna
Ecclesiastes chapter 9 paverse ya 10 kuti _Whatsoever thy hand findeth to do, do it with thy might._

Kelvin ndakazomuudza kuti tiri kunonoka kubuda but to my surprise akati aizondimirira panze,,
zvakatondishamisawo kuti ko zvambonyanyoita sei kudaro.Pandakabuda ainge akatondimirira zveshuwa
pamota yake ndikati " kwakanaka here kubva watondimirira nehusika kudaro ?" zvikanzi "ehe kuri bhoo
hako pinda mumota ndikuperekedze kumba hazvichaita kuti uyende kumakombi this time"Ndakapinda
mumota ndokubva atanga kudriver tichitotaura nyaya semazuva ese zvekuti ndaitoshamisika kuti ko
ndozvaange achiti ari kuda kundiona izvozvi. Takafamba kubuda mutown kusvika KuMarimba Police
Station uko tichingotaura nyanya tichiseka. Tichangoti darikei papolice akabva amisa mota paside
ndikatoshamisikawo nemuitiro iwoyu. Ndakabvumunza ndikati"ko wamisa mota asi yafa here?" Akabva
anditarisa ndokubata ruoko rwangu zvikanzi " Today is the day randa decider kuti ndikuudze kuti
ndinokuda mai Tadisa"... Agh ndakangoti mwana anopenga here uyu munhu wemukomana kuda mvana
ine mwana wayo pamusoro pazvo munhu mukuru kwaari.Ndakatoseka zvangu ndichiti pada aitoita
zvemafunnies hake asi akaramba ari serious zvikanzi " Ndokuda mai Tadisa, I have been watching your
movements for a long time and ndagutsikana kuti you are the right person and I have been hiding my
feelings for a long time , but the truth is I love you"Yoogh ndakanyatsomutarisa kuface ndichida kuona
kuti airevesa here asi ndakatoona kuti shasha yaive serious. Ndozvinhu zvandaisamboda kunzwa
muhupenyu,zvekudanana nemwana mudiki saka ndakatomurambira ipapo ipapo kuti zvaisaita plus
ndaive nemwana pamusoro pazvo saka ndakatomuudza kuti yekudanana abve atoikanganwa hake.
Ndaifunga kuti achasiyana nazvo but akatoramba ari serious zvikanzi " Ndaizviziva kuti ndozvauchataura
but manje kwandiri zvese izvozvo hazvina kana basa neni ndiri kutoda zvese, iwe naTadisa wacho.
Ndakashaya kuti ko Kelvin ainge apindwa neiko vasikana zvavainge vakangozara wani. Kana ivo mai
vake shuwa vagonzwa kuti mwanakomana wavo ari kudanana nemunhu mukuru kwaari apo ane mwana
wake futi.. haa vaitofenda zve. Kutaura chokwadi hapana mubereki anoda kuti mwana wake atore
mukadzi mukuru kwaari nekuti vanenge vachitya kuti anozotongwa nemukadzi saka ndakatomubudira
ipapo ndikati ngaisiye matambo zvichakanaka, asi akaramba akavavarira zvekuti ndakapedzisira ndisisina
chekutaura.Akabva ati makore haasi iwo anodanana kana zviri zvemwana haisiyo reason yekuti nditadze
kudanana newe iyoyo. Ndakarambisisa shuwa ndikamuti asimudze mota anondisiya pamba nekuti
dzainge dzatova kumapast 8 tichingoitisana nharo. Akabva ati ndiri kunokusiya kumba but enda
unonyatsofunga nezvenyaya yangu nekuti ini ndakatofunga kudhara zvatosarira iwe kana zviri
zvemakore mama vangu havandinetse ndinozonyatso tsvaga way yekuvaudza nayo asi pari zvino ndiri
kungoda "yes" yako. Ndakangoti mwana anopenga uyu chokwadi.Akazonondisiya pagate pedu
ndokudzokera kwavo kuSoutherton.

Charity akazouya late kubva kuBulawayo zvekuti tainge tatorara saka ndakangoti ndaizomuudza
mashura ekwaKelvin aya kwakachena. Makuseni acho tiri mumota kuenda kubasa ndakabva ndaparurira
sahwira wangu nyaya yainge yataurwa naKelvin ndichida kunzwawo maonero nemafungiro ake,, nekuti
pazvinhu zvese she was the only person aindipa maadvice akanaka so handina chandaimboda
kumuvanzira muhupenyu hwangu. Ndakanyatsotaura nemo nemo chaimo iye akateerera hake
achidriver ndokuzotaura ndapedza. Charity aisave munhu ainyenyeredza zvinhu saka akangotaura
mafungiro ake ipapo zvikanzi " munhu waMwari pari trick apa,, zvekudanana nevana vadiki izvi zvonetsa
but kana achikudawo munhu wacho zvakadaro hapana chakaipa asi problem inozouya pakuti vabereki
vemunhu vanozvitambira sei nekuti hapana mubereki anombozvida izvi". Charity ainyatsoziva Kelvin
saka hunhu hwake akanyatsotaura kuti hapana chaaishora asi kuvabereki uko kunonetsa. Iniwo hangu
ndaisada kuita zvinhu zvekumhanya saka ndakanyatsopfavira ngoma hangu ndikanyatsoona kuti
zveshuwa zvaizonetsa saka ndaida kumuudza kuti zvaisaita. Ko ndaimhanyirei sekunonaya nhai,,
vanotiza here varume ava.

Kelvin aingoramba achisimbirira same story ndichiramba asi aisatomboratidza kuora moyo. Charity
akapedzisira ave kutonzwawo tsitsi nekuti aigaro demba demba zuva nezuva asi ndaisada kuzvipinza
muna taisireva. Kelvin aive munhu ane moyo wakanaka zvekuti pandakamutsanangurira nezvenyaya
yaMelo akandinzwira tsitsi chaizvo akatombozama kuti ndimuregerere mumoyo mangu asi ndaisave
nepfugwa dzekuregerera Melo zvekumhanya kudaro nekuti zvaakandiitira zvaikunda ngoma kurira. Mai
Panashe vakazondiphonera rimwe zuva zvikanzi " Mai Tadisa mwana wamai vako ari kuona nhamo kuno
ufunge hako,, nzara ndoiri kunyanya kumukuvadza dai waita moyo murefu hazvisi kunyatsoita semunhu
ane numbu" Ndakangoti mai ava vari kudaro nekuti havasiivo vakazviitirwa nekuti dai vaiona kudada
kwaiita Melody vaisambodaro. Iye ainge akandikanganwawo kuti ndiri mwana wamai vake saka hapana
chandaizomunzwira tsitsi. Vakabva vati " marimwe zuro akauya kumba kwangu achizama kundiferefeta
kuti ndimuudze kwauri kushanda asi ndakaramba hangu hameno kuti aidei"Ndakatovati musambofe
makamuudza nekuti type yaMelo nekusanyara plus hasha dzekushaya chikafu aigona kuzouya pabasa
pangu kuzonditukirira. Ndaisamboda kuti azive pandoshandira nekuti aigona kuzongo creater scene saka
ndakavasimbisa ndikati musambofe makamuudza.Andrew wacho ainzi ainge aakungoita zvemadress
asisadzoke kumba ndikaziva kuti chipfambi chainge chamupinda zveshuwa chainge changosara kuita
chirwere nekuti zvagara ndiwo unozongova mubairo. Ndaitoshaya kuti dzaive tsitsi dzei kuramba
achigara naMelo nekuti ainge asisamudi.

Kelvin akangoramba akasimbirira panyaya yake zvekuti ndakapedzisira ndaakunzwawo tsitsi kana ini
wacho zvekuti ndakapedzisira ndabvuma. Akafara zvisingaiti zuva iroro asi ini kutaura chokwadi hana
yangu yairova ndikazvifunga asi akandiudza kuti hapana azoziva zvemakore kuti ndaive mukuru.
Takatanga kudanana even Charity haana kuzvishora hake asi inini ndaingotya,, hongu Kelvin aindida
hake zvandaiona asi ndaingotya kuti mai vake vanotii pavanozviziva kuzoti zvemwana haa worse...
Ndaimu respecterwo murelationship yedu zvekuti zvaisambooneka kuti ndiri mukuru kwaari. Charity
ainge ave kutofarawo kuti ndawana munhu anondida nemoyo wese. Aindiremekedza murelationship
yedu zvekuti takavimbisana kuti hapana chakashata chaizoitwa before marriage. Eheka ko tinofanira
kudzidza kumirira nguva yakafanira vadikani kwete kuti zvauri mvana yotova passport yekuswera
uchiita fonication. Ngazvisiiwe izvozvo... fonication is a sin!!!

Melo ndaingonzwa namai Panashe kuti zvainge zvakaoma kwaari asi handina hangu kuita hanya
naye.Aizviita akangwara saka aifanira kugadzirisa nyaya dzake asi mai Panashe vaingoti zviri kusiririsa.
Rimwe zuva pari palunch ndakaona umwe musikana ainzi Rumbi wandaishanda naye achiuya kwandiri
zvikanzi "Tale pane mukadzi aripanze ari kukuda hanzi ndiri kuda kukuona" ... Ndangoti horaiti
ndokutofamba ndichibuda panze.. ndaida kuona kuti ndiani mukadzi iyeye...

CHAPTER 30

Ndakafamba hangu ndichienda panze,pfungwa dzangu dzaitopishana kuti ko aive ani aindida iyeye
nekuti vanhu vaiziva pandaishanda vaive vashoma, saka ndakangoti ndonozvionera kuti ndiani.
Ndichisvika panze ndakaona mashura chaiwo. Ainge ari Melo zvake ainge akamira panze, paakandiona
akaratidza kakuvhunduka nekuti zvandaive nezvaaive zvaisamboenderana. Ndakamboda kuseka
pandakamuona nezvaaive asi ndaisave mumood yekuseka zvangu panguva iyoyo. Mumusoro mainge
makarukwa zvinhu zvaisazwisisika kuti kusakara here kana kuti zviri muprocess yekurudunurwa nekuti
zvaisaita shuwa,, ndakashaya kuti ko atadza wo here kungoisa chisun hat mumusoro pane kufamba
akadai. Kadumbu kainge kari tanana,kachionekera muJersy re Dynamos raainge akapfeka neskin jean.
Ndakaziva hangu kuti raive jersey raAndrew nekuti aifarira dynamos zvisingaiti. Zvimwe zvinhu
unototadza kunzwisisa kuti munhu ari kuzama kudii chaizvo kufamba kupfekana nemajersy seainge
ashaya hembe. Kwaainge akaita shuwa ndokunonzi kusakara maybe yaive nhumbu hameno....Kumeso
kwaive kwaive kwakapodwa haikona,ndakaziva kuti Melo aitove chiramba kusakara zveshuwa.
Kwaingovewo kupoda kwekuvhara face yainge yashata hayo nemapundu apo lipstick yainge yakaita
zvekunamwa chaizvo ndakangoti nechemumoyo," hokoyo nenhamo". Haaimborega kuonda shuwa
semunhu ainge ave kushaya chikafu. Eheka ko hant ainge ave kungoswerera mvura se radiater yemota.
Kastep kaainge akamira nako wega waingoona kuti sisi vaizvinzwa ava. Shame,, Melo aingozvinzwa hake
but ainge aita kupera basa chaiko...kana ini chaiye ndainge ndotoita sekasikana pana iye. Ndinotoshaya
kuti why vanhu vechikadzi vachizvinzwa so.Imika! Munoti dai huku chaidzo dzatinodya idzi dzichizviziva
kuti dzakatakura nyama inonaka dzaisafamba dzichimodhela here. Itai mushe...

Ndakasvika paaive akamira ndokusviko mira ndakamutarisa ndichida kunzwa kuti aidei,, ndaisada
kutaura naye saka ndaimirira kuti anditange. Akambonditarisa kubva kumusoro kusvika kuzasi zviye
zvekundipima chaizvo ndokuramba takatarisana kunge machongwe.Ko aisatarisira kundiona
ndakachenawo ka saka zvakatomushamisawo. Ndofunga aifunga kuti ndichamutanga saka ndakaramba
ndiri zii hangu ndichida kunzwa kuti aizotaurei.Ndakasvotwa fani ave kungoramba akandidzvokora
ndokubva ndatendeuka kuti ndidzokere zvangu mukati. Pandakati nditendeuke akabva aita kundidhonza
weave yandaive ndakarukwa apo yaive ichangobva kurukwa ichiri kurwadza.. iiih ndakarwadziwa zvekuti
ndakakoka hasha dzangu dzese. Ndakashaya kuti hwaive hunhu rudzii hwandaiitirwa naMelody uyu
mufunge nekuti ndainge ndisina kumbomudenha kana kumbotaura naye chimwe chinhu. Akabva atanga
kutaura zvikanzi " waifunga kuti handikuwane nhai,imbwa yemu... haana kuzopedzisa nekuti
ndakamugamuchidza imwe mbama yekuti akangoramba akavhura twuziso twake zvekuti ruoko rwangu
rwakasara rwakazara face powder yaainge akanama kuface. Ndakabhoikana shuwa kuti munhu angauye
kuzonditaurira tsvina yakadaro apo ndiye ainge andivinga futi. Muhupenyu hwangu ndainge ndisati
ndambosimudza ruoko rwangu kurova munhu asi zuva iri ndakanyatsoita zvivindi chaizvo nekuti Melo
ainge azozvinyanya. Ndainge ndamunyararira pakawanda chaizvo saka ndaisada futi kujairirwa. Akabva
ada kuti ataure futi zvikanzi wandiroverei ukufunga kuti wakangwar.. asati apedza ndakabva
ndamupamha futi imwe mbama pasame dama iroro zvekuti vanhu vakatanga kungotarisa
pataive.Ndakatombosendeka zvevanhu nekuti ndaida kunyatso dealer nemunhu wangu bhobho. Pechi2
apa akasara akadhinda ruoko rwangu ndokubva ndamuti " chitaura tinzwe zvawange uchida kutaura "
ndokuramba arizii sekunge chimumumu ndikaziva kuti Melo kwaingove kungwarira kutaura asi kurova
kwacho aisagona. Ndakabva ndamuti" dai kadolar kawashandisa kukwira kombi kuuya kuno
watokatenga sipo yekugezesa nekuti une tsvina isingaiti " Varume vaivapo vakabva vatanga kuseka
zvekusvotesa zvikanzi " ambuya muri kurovereiko kamukadzi ako kasiyei kanenge kane mhepo aka"
Ainge angoti tumbi zvino ndokubva ndamusiya akamira ipapo ndichidzokera mushop hameno kuti
akazobva nguvai ndakatozofonerwa naKelvin lunch yaakuda kupera achiti bbe buda panze ndiri kuda
kukuona.
Ndakanomuona but ndainge ndiri mubad mood nezvainge zvaitika maminutes ainge adarika kusvika
azondibvunza kuti ndairwara here ndikabva ndamutsanangurira zvainge zvaitika.Akabva ati " inga
zvakaoma, munin'ina wako haatombogaye shuwa instead yekuti abvume pamwe nekukumbira
ruregerero kwauri ndipo paanotouya ari mugear rekuda kukutuka. Ndakangoti ndozvaari nekuti Melo
aitove munhu aisada kubvuma kuti akakanganisa,, aitoda kuita makwikwi neni sezvinonzi ainge
akaroorwa akachata naAndrew manje akawana twekwangu twuri padhuze, ndiye akatozowacha
manje.Kelvin akazonditi ndange ndakuigira fon iyi kuti ushandise sezvo phone yako yakatsemuka and I
'm the one akazvikonzeresa" . Yaive fon yakanaka chaizvo Samsung Galaxy S 5 zvekuti ndakafara. Fon
yangu pachokwadi yainge isisaiti but kungoti ndaisave nebasa nazvo semunhu aisada flambo stereki. Zve
bling bling zvaidiwa nana Melo kungoti apa ainge ablongonoka chete asi zvekuonekwa onekwa aizvida
stereki. Ndakazomutenda ndokuparadzana iye odzokera kubasa kwake sezvo lunch yainge yapera.
Kubva zvatakadanana naKedza wangu uyu akandikumbira kuti ndinoona mama vake asi
ndaingoverengera zvangu ndichiti ndichazovaona. Mumba mavo vaingove 2 chete, iye nesister yake
yaishanda kubotswana. Baba vake vainge vakashaya kare angosara namai vake avo vaaiti vaingoita
zvekunohodha hembe kuDubai vachitengesa. Ndaingozeza kunovaona hameno kuti why, but
ndaingonzwa mandiri kuti handisati ndave ready kunosangana naamwene vangu ava.

Tave kumba ndakatsanangurira Charity nezvekuuya kwaMelo akafara zvisingaiti nekumurova


kwandainge ndaita. Zvakamunakidza chaizvo ndichimutsanangurira kuti ndainge ndamugashidza
makwati maviri ari strong zvikanzi " hauchione manje ndokunonzi kungwara ikoko kwete kuswero
chemedzwa netype dzaana Melo zera rako iri,dai ndandiripo ndaiimuita wastaki Melo wako iyeye nekuti
shungu dzangu dziri pakuda kumbomutinha chaizvo. Ndakatoona kuti sahwira wangu zvekurova
izvifarira, akabva andifungisa chihera vekusaloon Ndovamwe vekuti ndipe permission chete
ndimbokushandira munhu wakatarisa. Ini zvekurova izvi zvaisave mandiri kutaura chokwadi, changu
chandaigona kuchema chete zvekuti ndaitoshamisika kuti ko simba rekurova Melo ndainge ndariwanepi.
Akazondinakidza Charity zvikanzi " ndichatopota ndichikuendesa kunotrainer karati chaiyo zvekuti ana
Andrew nana Melo vanenge vaakutambira kure chaiko" ndakaseka zvangu zvaitaurwa nasahwira wangu
uyu. Chimwe chinhu chakandibhowa kushaiwa hana kwamai Panashe,, munhu wandainge
ndanyatsoudzawo zvakanaka naka kuti vasaudze Melo kwandoshanda asi vainge vatomuudza kare.
Vamwe vanhu unotoshaya kuti hana dzavo sei dziri nhete kudaro chokwadi. Ndakabva ndatobhoikana
nekuti ndaiziva kuti ndiye munhu ainge audza Melo chete. Ko ndaivaziva ka mai Panashe, vaisatana
kuremerwa plus vaive nedzvene rimwe raibhowa ndosaka vaigaro rohwa nemurume wavo.

Kubva zvandakarova Melo haana kuzombodzoka futi ndofunga ainge atoona kuti kwainge kwave
kumakata. Mazuva akafamba chose zvekuti tainge tatove muna August zvekuti nhumbu yaMelo yaive
yafambidzana. NaKelvin wangu taidanana pasina kana problem zvekuti ndainge ndotoona ramangwana
rangu rakajeka tave baba namai. Eheka ko ndaigofungei hangu hant zviro zvaifaya here. Muna August
iyeye ndipo paivewo nebirthday rangu nekuti ndainge ndaakuda kupinda mu 25 years. Ndaida
kunoricelebreter ndiri kumusha kune vabereki asi takanzi hapana aienda kuoff paholiday iyi nemaboss
edu. Ndakarwadziwa chaizvo nekuti ndaida kunoona bamunin namainin kumusha. Zvikoro zvainge
zvatovharwa ndakafara ndichinzwawo kuti Susan gotwe ramainin ainge akapasa zvisingaiti kumusha
ikoko. Zvinhu zvandaingoshuvirawo mufunge kuti adzidze nesimba nekuti ndiye munhu wandaida
kuitirawo zvandaifanira kuititira Melo. Ndakazongotumira bamunin mari kumusha ndichivaudza kuti
ndaisakwanisa kuuya pazororo reheros vakati painge pasina kuipa hapo ndaizouya pakasununguka.

Holiday iyoyo ndipo paiuyawo hanzvadzi yaKelvin aigara kuBotswana. Ndaifarawo kuti ndaizosangana
natete vangu ava nyangwe hazvo taimbotaura pafon pano neapo. Ndivo vaive mukuru kuna Kelvin
zvekuti vainge vatove mu27 years vasinawo kuroorwa.Birthday rangu ndakatozobhoikana nekuti musi
wacho ndaitezenge ndiri pabasa zvekuti pandakaudza vanhu kuti birthday rangu raizoitwa ndiripabasa
vakandiseka chaizvo zvikanzi wawacha zvodawo uri pamba uchinyatso celebrater waka relaxer. Ko
taigodii ndiwo mabasa ataida aya saka taitofanira kuteedzera zvinodiwa.

Musi wacho wakazosvika ndokutomuka ndakaneta neta zvangu semunhu aitogadzirira kuenda kubasa.
Ndakamuka ndokupfugama kuti ndinamate ndichitenda Mwari nekundichengetawo kusvika pamakore
ese iwayo ndiri mutano. Zvese zviye zvekupihwa magifts pabirthday musanyanyo kuzvikoshesa
mufunge.Chakakosha kutenda Mwari kuti vari kukuchengeta nekuti kungova mutano ikoko inyasha
dzakakura chaizvo so musanyanyorwadziwa henyu kuti mukomana wangu kana kuti murume wangu
haana kuzondipawo present pabirthday rangu saka haandide. Hazvina kana basa zvese izvo,, pfugama
utende Mwari chete, kuti mazviita henyu.

Pandakapedza kuti Amen ndakapfugama muroom mangu ndakabva ndanzwa Charity namother
vachiindimbira happy birthday. Ndakashamisika nazvo apo Charity ainge akatobata cake,Tadisa akabata
twumaruva necard mwana wangu avawo mother vakabata box rainge rakaputirwa hameno kuti maive
nei. It was a big surprise zvekuti ndakatombobuda twumisodzi twekufara. Takazofara ndokudyisana keke
redu tiri 4 kudaro zvikanzi na Charity waifunga kuti ndingakanganwe birthday reshamwari yangu here
nhai Talent ndatokunyara ndandichida kutokudira mavhu chaiwo kungoti tiri kumhanyira kubasa.
Ndakaseka zvangu ndokubva ndati box ndaizorivhura ndabva kubasa nekuti ndaizononoka.
Charity akazinondi dropper pabasa iye oyendawo kwake. Ndichipinda mukati ndakaona pamusiwo paina
guard chete mukati musina kana munhu 1 aivemo. Zvakandishamisa chaizvo zvekuti ndakatombofunga
kuti asi ndakasika kuuya asi dzainge ndatove half 7 already, of which ndonguva dzataitanga basa idzodzo
saka ndakashamisika kuti ko vanhu vaivepi. Ndakabvunza guard kuti ko vamwe varipi zvikanzi vari
muboard room vakatokumirirai imomo ndimo mamuri kudiwa . Handide kunyepa hana yangu yakarova
nekuti muboardroom imomo taingowanzo mupinda kana kuine mameeting nezvimwewo zvinenge
zvichida kutaurwa zvakaita seku launcher manew designs ejewellary yataitengesa.. saka ndakashaya kuti
ko chaive chii zvakare nekuti guard ainge atotaura kuti ndini ndainge ndakamirirwa. Ndakafamba
zvangu ndichidedera ndakananga kuboardroom kuye ndakasuruvara sehuku yanaiwa.

Ndichipinda mukati ndakashamisika nezvandakaona. Vanhu vese vaivemo zvazvo imomo apo mainge
maka decoretwa kumadziro kuchibuda zvinhu zvaipenya penya zvaibuditsa pakanzi "Happy 25th
birthday Tale" ndichingopinda vanhu vakatanga kundiimbira mufunge zvekuti ndakangobata muromo
nekushamisika ndakati tumbi kumira. Ndaisazvitarisira zvekuti yaitove big surprise kwandiri. Apo
ndopandakazo nyatso kuburitsa musodzi yekufara manje nekuti iri raingove zuva rangu remasurprises.
Ndakafara mufunge apo cake raitovepo. Takazo cutter cake tichifara vanhu vakandipawo twuma
presents vamwe ndovaindipawo macards haa zvaingofadza mufunge zvekuti ndakaswera ndakafara
musi uyu.

Pave palunch Kelvin akabva afona zvikanzi " bbe I have a big surprise for you sanobuda panze"
Ndakangoti nhasi zvangu ndinonzwa nemasurprise. Ndakabva ndangotora zvinhu zvandainge ndapiwa
nemaworkmates angu pamwe chete nemacards acho ndokuisa mahandbag ndokubuda panze kuti
ndinomirira Kelvin. Ndakangomira zvishoma achibva asvika nemota yake. Ndiye akatanga kuburuka
ndokuzoburuka a beautiful lady uyo wandakatoona kuti aive hanzvadzi yake Joyce aigara kuBotswana.
Ndakabva ndaziva kuti ndiyo yaive surprise yacho. Ehe vaive tete zve, nhai...

Ndakatoona hangu pavaifamba vachiuya kuti mai vaizvinzwa ivavo. Vainge vakapfeka gogo zvekuti pasi
paitsikwa sepanopisa apa.Aive munhu ainge akanaka zvekuti zvaisada mubvunzo apo akatsvuka
mumusoro makaiswa iyo brazillian weave. Aiwa chakanaka chakanaka mufunge,,, zvainge
zvakangobudawo so imo muruoko mainge makabatwa iwo mazifon angozara anenge mabhaibheri
kukura aya. Ndakangoti hesi mhani,, asi pachiso zvaioneka kuti sisi vadya machristmas ava. Vakasvika
pandaive zvikanzi naKelvin ndakuigira tete vako ava. Ndakavamhoresawo nemufaro chaizvo semunhu
wandaitoonawo kekutanga. Vakazondiudza kuti vainge vakauya nezuro wacho thats why vasina
kundiudza nekuti vaida kundisurpriser. Ndakafara mufunge kusanganawo nauant vangu ava. Tichiri
mukutaura kudaro Kelvin akabva afonerwa kunzi aidiwa kubasa nguva idzodzo. Akabva andisiya ndiina
tete vangu ava tichimbokurukura hedu kusvika vazonditi ndivaperekedze kunotenga zvinhu zvavaida
kuenda nazvo kumba. Ndakabva ndavaperekedza nekuti vaida kunotenga mu O,k yemuna Mbuya
Nehanda sezvo paive palunch,, nguva dzainge dzichiripo.
Vakatenga zvinhu zvavaida ndichivabatsira kutsvaga. Tave patill kuti tinobhadhara vakabva vati
ndidzokere kunovanhongera beef yavainge vakanganwa. Ndakabva ndavasiira handbag yangu kuti
ndinovatarisira beef yacho. Pandakadzoka ndakawana vavhura handbag yangu vakatobata rimwe rema
card angu andainge ndapiwa nevanhu patainge tichicelebrater birthday rangu apo rainge rakatonyorwa
kunzi " Happy 25 th birthday " Haaa ndakanzwa mudumbu nekuti ndaisada kuti vazive makore angu
sezvizvi.Ndakatozonyatsonzwa mudumbu pandakaona vakabata photo raTadisa iro randaingogarisa
muhandbag umu nguva dzese. Ndakaona shasha ichiratidza kushamisika nekuti zvaive pachena kuti
mwana aive wangu nekuti ndainge ndakafanana naye zvisingaiti. Ndakabva ndaziva kuti chabvondoka.....

CHAPTER 31

Ndakaziva kuti ndainge ndawacha nekuti tete vainge vatochinja face yavo pavakaona photo raTadisa.
Ndakazosara ndosvika nebeef iya yavainge vandituma but ndainge ndoshaya zvekuita nenyadzi plus
kutotya chaiko kuti ndichanzwii. Vakabva varamba vakabata card riye nephoto raTadisa zvikanzi " ko
kusatiudzawo kuti ibirthday renyu nhai axana?" Ndakangoseka seka ndikati " Agh kutovarairwa chaiko
tete, ndandichifunga kuti Kelvin akuudzai " vakabva vati " hoo haana kumbondiudza uyu inga makura
axana". Ndakangoti "haa takura zveshuwa". Zve photo raTadisa havana kumbozvitaura ndofunga
vakanyara kubvunza. Ndakazviona hangu kuti shasha yainge isisina mufaro.. vainge vongosekera
kubhaiza. Ndakangoti hameno Mwari. Takazobhadhara zvinhu zviye ndokubuda hedu vakabva vati vaida
kuenda nekubasa kwaKelvin vachinomuona. Ini ndakabva ndangonanga kwangu sezvo lunch hour yaive
yaakupera asi hana yangu yaingorova yega zvekuti ndakangoona kuti pamberi apo paigona kungoitika
zvimwe.

Pasina nguva Kelvin akabva afona zvikanzi bbe chii chaiitika, Joy auya achindituka kuno ko azoziva sei
zvinhu zvatakanyatsotaurirana kuti hapana anofanira kuzviziva?" Ndakamutsanangurira zvainge zvaitika
akanditi its ok haandinetse ndichataura naye. Ndakatozopedza zuva rangu ndakasuruvara nekuti
ndainge ndaakutoziva kuti tete vangu ava havana kundifarira saka ma1 ainge
atotanga.Ndakazotsanangurira Charity tave mumota zvainge zvaitika masikati acho akati " iiih inga tete
vako vane mugomho wedzungu,, shuwa ndiani akavaudza kuti handbag remunhu rinongovhurwa kunge
vari kuvhura musiwo wetoilet yekumba kwavo kudaro?"Ndakatoshayawo kuti hunhu rudzii wandaitirwa
nehanzvadzi yaKelvin iyi.Apo tainge tatosangana day iroro asi vainge vatovhura bag rangu kare. Kune
vamwe vanhu vasina matyira

mufunge!.

Mangwana acho ndakangoenda kubasa but ndaingonzwa hana yangu ichirova hameno kuti chii
chaidaro,, asi ndaingonzwa kakutya so. Kelvin ndakamubvunza kuti tete vainge vasina kuudza mama
here zvikanzi haana kungoti nezuro mama vainge vasipo but ndaatraya kutaura naye hameno
akazotaurawo. Reaction yamai vacho ndoyandaitya mufunge saka ndaingoti dai vakambomira kuudzwa.
Tichangoti itei basa achiri makuseni, Rumbi wataishanda naye akabva angofenda hameno kuti chii
chaitika paari. Takangomupumha pumha nekumumwaya twumvura kuti apepuke. Paakamuka ainge
asina simba zvekuti akabva anzi amboenda kuhospital kunoonekwa kuti chii. Paakangonzwa
dzechipatara akabva aramba kuenda zvikanzi ndoda kuenda kumba chaiko kunozorora.
Munongozivawo kuti zvevasikana zvinonetsa pamwe munhu anenge achitori nemimba zvake nekuti
kamurambiro kaaita kuendeswa kuhospital kakandisiya ndiine question mark.Supervisor wedu akabva
anditi "Talent ndiwe unowirirana naRumbi muperekedzewo kumba kwavo hazviite kuti aende ega
semunhu asiri kunyatsonzwa bhoo" Kumba kwaana Rumbi kwaive kuGlenorah apo ndaisamboda kutsika
nzvimbo iyoyo zvakare asi paisave nezvekuita apo Rumbi wacho malines aaitaura kuti ndiwo aanogara
ndiko kwaive kudhuze nekwaana Melo. Ndakamboda kuramba asi ndakanyara ndokuzongobvumira ko
zvozoda here kubva warambira munhu mukuru plus hazvinyatsoratidze chimiro kwacho sezvo umwe
achirwara.

Ndakanokwira naye Kombi ndichiita zvekunanaidzana naye sezvo aisave nesimba. Takatowana hwindi
achitodeedzerawo kuti " two vasara" tichibva tapinda tonange ikweyo. Tichisvika parank yekumaraini
kwavo yavaiburukira takaona paine imwewo kombi yainge iripo pakazara mahwindi vakaunganira umwe
mukadzi aiita seaichema nekuti vamwe vaidhonza mabraids ainge ari mumusoro, vamwe
handbag,vamwe hembe. Ndakangoti vanhu vamazuvano havasisina matyira nekubata vamwe vanhu
rough mufunge. Ndakangosiyana nazvo hangu ndokuperekedza Rumbi kwavo. Pandaifamba
ndakambofunga makare kare pandaimbogara munzvimbo iyi ndikaona kuti zvinhu zvinochinja chokwadi.
Ndakabva ndamusiya kumba kwavo ndokufam hangu ndichidzokera kuma kombi. Pandainge ndichiri
kufamba ndakabva ndasangana naChihera vepasaloon,,, nekutaurisa vakabva vatotanga kutotaura
zvikanzi " yuwi yuwi ndimi here asikana machinja kudai kuita ka mistress iiih makabuda amai ende
makachena, mazviona ka kuti varume ava vanokusakadza kuita chikorobho chaicho ikezvino kamunin'ina
kenyu kaita kusakara zvekuti mukakaona hamuchadi apo zidumbu raita kukura kunge bhazi
ndozvakaitsvaga apo marimwe zuro kaipopotedzana neumwe mukadzi kuti uri kudanana nemurume
wangu apo murume wacho hanzi haarare pamba fut " Haaa ndakapa kutenda zvangu,, mai vaisamboisa
full stop kana vachitaura ende ndakatoona kuti vainge vasina kusiya kahunhu kavo kekutaurisa kunge
munhu akamedza 4Gg memory card. Zvese zvavairudunura izvi vaingotaura vasina kana kundimhoresa,,
ndakangoti zvakaoma chokwadi apo waitoona kuti mutauriro wacho ndewemunh wemakuhwa nekuti
ukaona munhu achitsanangura zvinhu achingoisa ma hanzi, zvimwe zvacho zvinenge zviri zvekunzwa
nemakuhwa. Ndakazovati " ndini hangu muri sei?" Zvikanzi ndiri bhoo zvekuti ko tingaitwe sei hedu
tisuka ana Chihera special" Ndakangoti nechemumoyo ende zvakaoma, ivo havana kana kunyarara
zvikanzi ko kuzotambira kumatongo asi maakuda kudziokerana nemurume wako here manje ukadaro
unenge wakapusa nekuti murume uye irombe ufunge hako ndorinonzi zeeretsi remunhu". Ndakaseka
hangu ndikangoti aiwa pane zvandange ndafambira hangu not izvozvo zvikanzi " gud girl,now you are
talking" ndakatoona kuti ndaitozoswera ndakangomira namother ava nekuti vaisazorora kutaura
ndokuvaoneka ndichienda pamakombi.
Ndichisvika paikwirirwa makombi paye ndakaona mahwindi aye vachingonetsana namother vaye
ndikangoti inga zvakaoma. Ndaingoita manzwira nzwira vamwe vachingoti " mukatipa mari yedu mother
tinobva takusiyai pasina izvozvo tichatokubvarurirai hembe" Ndakatoshaya kuti vaive vanyanyoita seiko
kusvika pakunzwaro nhaimi. Pandakasvika padhuze kuti ndipinde mune yainge yavekuzara
ndopandakakwanisa kuona chiso chemukadzi aishungurudzwa uyu ....

Vaive mai Fadzi hanzvadzi yaAndrew zvekuti ndakashamisika kuti nguva yese iyi ndivo vaidhonzwa
nemahwindi kudai. Ndakanzwa tsitsi mufunge nezvavaiitwa.. ndakatanga kufunga kuvenga kwavainge
vakandiita mazuva andaigara naAndrew ndikambofunga kuvasiya vakadaro asi ndakazongoti regai
ndinzwe kuti nyaya yacho ndeyei. Ndakabva ndabvunza umwe wevakomana vaivepo ndikati " ko muri
kuvadarirei nhai?" Zvikanzi " ambuya ava vane dzungu zvenyu sistren, vanyatsokwira kombi iyi kutown
ndokuramba kubhadhara vachiti vachatipa vasvika, patasvika pacho kuvati chitipai ka mari yedu
vaakungoti dzvanhu dzvanhu hanzi ndabirwa chikwama change chiine mari handisisina kana cent"
Pavakandiona mai Fadzi vacho vakabva vanditarira neziso raitaura rega kuti ndiyamurewo pliz ndiri
panguva yakaoma. Zvamunoona kana tichigarisana ngatisabata vamwe vanhu nekuseri kweruoko nekuti
hauzive zvinoitika mangwana. Mai Fadzi namai Prince vainge vakandivenga mazuva andaigara
maAndrew zvekuti kana kurufu rwamai vangu havana kana kuuya. Ndakazoti kuvakomana vaye vasiyei
ndikupei mari yacho. Ndakaburitsa mari kukachikwama kangu ndokupa conducter wekombi iye,,
ndokuzosiiwa kwavakaitwa. Vakabva vanzi " chitotendai sisi ava nhasi taikutambisai nhova pano, hamuti
zive mushe" Ndakaona vave kungobwaira bwaira zvino apo musodzi nemadzihwa zvazara kuface
mukadzi mukuru. Anonzi mahwindii vavo vanokuwachisa. Vakazongonditenda zvikanzi waita hako mai
Tadisa" Ndakaona hangu kuti mukutaura kwavo vanenge vairevesa kuti vainge vabirwa chikwama.
Ndakangoziva kuti ndozvinoita Mwari. Vanokuisa pane mamwe masituations ekuti vaunovenga
nekutarisira pasi ndivo vanozokubatsira rimwe remazuva. Dai vari vamwe vaibva vatodzidza ipapo kuti
munhu haavengwe kana kudzikisirwa.....

Ndakazokwira kombi ndodzokera kubasa,, ndokusvika zvichinzi pana mother vambouya pano
vachikutsvaga hanzi ndine zvakakosha zvandiri kuda kutaura newe. Ndakashaya kuti ainge ave ani
zvakare,, kuti nditi ndiMelo zvakandirambira zvamuchose nekuti uyo ndainge ndakamugadzirira size
chaiyo saka aisambodzoka kwandiri zvekare. Ndakazongoti hamenowo kana ari munhu ane zvakakosha
zvaari kuda achadzoka hake.Ko ndaimbozivei hangu....
Pandakapedza basa Charity akabva afona achiti ndimumirire kwechinguva sezvo paine zvinhu zvaaida
kumbopedzisa kuita.Ndakabva ndamira hangu ndokutotanga kuvaraidza nguva ndichitamba game pafon
yandainge ndakatengerwa naKelvin wangu. Ndiri busy kutotamba ndakaona pamberi pangu pamira
umwe mukadzi . Ndakasimudza chiso kuti ndione kuti ndiani asi ndakatadza kuziva kuti aive ani nekuti
chiso chaive chitsva. Aive mukadzi mukobvu aive neganda remari ari mutsvuku. Vaitove mother
vechikuru chaivo zvekuti ndakatadza kuziva kuti vaive ani. Mumaoko vainge vakabata makeys emota
nefon hombe yaive mune rimwe ruoko. Ndakabva ndati "makasimba here mother?' Zvikanzi ndinofara
mwanangu wakadii hako,, ndini ndambouya ndichikutsvaga masikati manje ndanzwa kuti wange
wabuda. Ndisati ndapindura vakabva vati ndine nyaya newe mwanangu asi handitore maminutes ako
akawanda zvangu ndandichikumbira kuti titaure nyaya yacho takagara hedu momota mangu nekuti
ndikaramba ndakamira makumbo angu anorwadza. Mutauriro wavo wairatidza kuti munhu akanyorova
saka ndakabva ndafamba navo ndichienda kumota kwacho nekuti ndaida kunzwa kuti vaive nenyaya yei.
Hana yangu yakamborova kungoenda kumota kwemunhu wandisingazivi asi ndakangozoti vanondiitei
ko ivava ndokufamba tichienda kumota kuye.

Vakandivhurira door remota yavo ndokupinda hangu kahana kachiroverera. Vakabva vapinda
ndokugararo zvikanzi " Ryt, ini ndinoitwawo mai Mukweni ndini mai vaKelvin" Pavaka ngodaro ndakabva
ndaziva kuti Ooh finish. Vakabva vati ndauyawo mwanangu kuzotaura newe mune zvakanaka pasina
noise plus ndangoti handinganonoki sezvo simbi ichirohwa ichangopisa" Ndakabva ndangoona kwaive
kwakananga nyaya ndikaziva kuti tete Joy vainge vataura nyaya yese kuna mama vavo. Vakabva vati
Kelvin ndiye mwana wangu mukomana wandiinaye and achiri jaya manje iwewe ndakanzwa kuti utori
nemwana atokura plus uri mukuru kwaari hauoniwo kuti hazviite here nhai mwanangu ndosaka ndauya
ndega kuti nditaure newe kuti tigare taonesana pachiri nenguva ende ukaramba uchiita nharo
dzekudanana naye handife ndakazvigamuchira ufunge and unozviziva kuti hapana marriage inonyatsoita
pasina mother' s blessings. Ndakanyatsoona kuti vaitaura chokwadi havo,, ndakaona kuti ndaisafanira
kumanikidza zvinhu zvaisaita,, ndaifanira kungoteerera zvaitaurwa zvinhu zvichakanaka. Ndakabva
ndavaudza kuti ndainge ndazvinzwa hangu zvikanzi ndapedza newe ndochete zvandange ndichida
kukuudza. ndichibva ndabuda mumota mavo zvangu ndokunomirira Charity but ndaingonzwa kuda
kuchema.

Charity akazouya ndakamira paye uko maziso akayangamara musodzi ndokusvikobvunza,zvikanzi ko


"chii zvakare?" Handina kukwanisa kumupindura ndave kuchema zvikanz " ndomagame andisingafarire
iwayo emunhu anongochema, kana paine akukanganisa ndiudze ndimuendere izvezvi" Ndakapukuta
musodzi ndokutanga kumutsanangurira zvainge zvaitika.....
CHAPTER 32

Pandaitsanangurira Charity nyaya yangu akabva andimisa zvikanzi "Tale pliz manje ukataura uchichema
ndinonzwei try to control yourself kuchema haisiyo solution ufunge". Zvaingorwadzawo veduwee ndaiti
ndamuwana wangu chaiye manje zvaive zvayenda nepamwe ndaigotadza kuchema here. Ndakapukuta
misodzi yainge yongoyerera ndokumbotura mafemo,,ndokutanga kutsanangurira Charity nezvekuuya
kwamai vaKelvin. Pese pandaitaura ainge akanyarara hake achingodriver akateerera. Pandakapedza
ndipo paakazotanga kutaura zvikanzi " Tale uri shamwari yangu ende unozviziva kuti handitaure
ndichinyenyeredza kana kunyara,, ndinoda kutaura zvinhu sezvazviri. Akambomira kutaura achibva azoti
"Kelvin hapana pandaimushora,he is a good person and I know kuti anokuda but kana mai vake vataura
kuti havana kukufarira its better kuti usiye hako pane kumanikidzira pausingadiwe nekuti unogona
kuzongogara uchichema mumba macho usina mufaro plus zvinhu zvongoda mese muchifara ufunge.
Ndakaona kuti umwe wangu aitaura chokwadi, ndaisafanira kumanikidzira rudo ndaifanira
kuzvigamuchira plus mai vaKelvin vainge vakauya mune zvakanaka pasina kana bopoto. Dai vari vamwe
vana amai vatinoziva so, ndaidai ndakaudzwa humvana hwese ndikashaya pekupinda,ugoudzwa
huchembere wese. Ndaifanira kungo respecter decision yavo ndosiyana nemwana wavo nekuti
zvaingoreva kuti ndaisa desever munhu akaita saye.Hapanawo mubereki anoda kuti mwana wake arore
munhu mukuru kwaari mufunge,, ukaona vanozvitambira vaye vanenge vangoona havo kuti hapana
zvavangazviite asi mumoyo mavo chaimo zvinenge zvisina kufadza worse inin ndaitove nemwana
pamusoro pazvo haaa zvainge zvakanyanya shuwa. Charity akabva aenderera mberi achitaura zvikanzi
"zvimwe zvinhu ukaona zvichiramba Talent,Mwari vanenge vaine chinangwa nazvo ngatisavashorei
pamwe pacho vanenge vachitori nezviri nani kukunda zvauri kuchemera so try to let it be my friend".
Ndakaona kuti ichi ndochaive chokwadi chaicho,,, ndaingofanira kutsanangurira Kelvin zvaivepo,,
nyangwe hazvo zvichirwadza asi zviri nani kugara nevanhu vanokuda pane kuita zvinhu zvekumanikidzira
pausingakwane. Chimwe chinhu chaitozoitika ndechekuti nyangwe dai ndaida kuramba ndakaita
chinamira pana Kelvin wacho,,haaizofa akawirirana namai vake zvinova zvinhu zvisingaiti amai
nemwana vanofanira kuve nehukama hwakasimba. Ndakangozvigamuchira hangu hapana zvandaizviita
asi moyo wangu wairwadza chaizvo nekuti Kelvin aive munhu aindirespecter though ndainge ndisiri
musikana hangu.Umwe munhu chaiye akatoziva kuti hausisiri mhandara anotora advantage iyoyo asi
Kelvin aisave nehunhu hwakadaro ende, vakomana vashoma vakadaro.

Ndichisvika kumba ndakafonera Kelvin ndichimutsanangurira zvainge zvataurwa namai vake,,


pandakangomuudza kuti vainge vati tisiyane akabva angoti "Whaat!" achicutter phone yake ndikaziva
kuti zvainge zvamubhowa and aitozonetsana namai vake zvinova zvinhu zvandaisada hangu. Ndainge
ndatoshandura pfungwa dzangu zvaKelvin ndainge ndisisadi nekuti ndaisada kudzokorodza kalife
kandairarama kumba kwana Andrew kekuti hapana anokuda kubva kumadzitete kusvika kuna amwene.
Ndaidawo kuti Mwari vandisarudzirewo pangu chaipo pandaizovewo nemufaro. Ndakatotanga kuona
kuti shuwa Charity airevesa paaiti zvimwe zvacho Mwari vanenge vaine pamwe pavanenge vachida
kukusvitsa. Ndakatanga kuona kuti zvaive nani kuconcetrater nezve life yangu nemwana wangu nekuti
zvema relationships zvairamba. Ehe hanzi kana nguva yacho yasvika zvongoitika zvega unongomuwana
mukomana akanaka.Zviye zvekugeza geza uchipoda nekuwaya waya muraini uchiswerero ita cross
country hazviziizvo zvinoita kuti uwane mukomana akanaka,,, dzikama ugare pamba pamai vako ipapo,,
zvikomborero zvedenga zvinongo kulocater so.

Mangwana acho ndiri kubasa ndainge ndakatosuruvara,, ko madhiri ainge adhakwa zve,, pane chaifadza
here nyangwe hangu ndaizama kuzvikanganwa. Kelvin ndainge ndisina kumbotaura naye kubva nezuro
wacho saka handina kunyanyoita basa nazvo stereki,Ndakatotangs hangu kuconcetrater nebasa rangu.
Umwewo musikana wandaishanda naye akabva auya pandainge ndiri zvikanzi "Tale hona mukomana
wangu akandipa ring iyi nezuro akati ari kuda kundirora muna December pachristmas" Akadaro
achisekerera akanenekedza chigunwe chainge chiine ring yainge yakanaka chaizvo and ainyatsoratidza
kuti mwana ari kufara. Ehe zvaiita seaivhaira nekuda kwesituation yaive pandiri asi painge pasina
kudada,,ainge aita rombo rakanaka uyu. Inga wani umwe muimbi akazoimba akati " aroorwa
usamuzvonde,,aroorwa iluck rake". Ainge azviwanira munhu wake aida kumuroora chinova chinhu
chinongofadzawo mufunge. Its every girl 's dream kuroorwawo zvakanaka wochatawo, ndakanzwa
kufarawo nazvo shuwa kuti ainge awanawo aida kumuroora mune zvakanaka. Dai ari umwe munhu aive
musituation yakaita seyangu aigona kutongotanga kubvunza Mwari kuti why me? Imika ka.. why me
kuita sei kwacho,, Mwari vanotoziva zvakaringana paumwe neumwe.

Pave palunch Kelvin akabva afona zvikanzi "bbe buda panze titaure" Ndakangoti ende mwana uyu
shuwa... dai aimboziva kuti ndainge ndashandura pfungwa dzangu aisadaro. Ndakangobuda hangu
ndokuenda pamota yake paaive akamira ndokumukwazisa. Ndakaona zvangu nemudairiro wake kuti
munhu ainge asina mufaro asi ndakaita sendisina kuzviona.Akabva anditi "Tale pliz ndichaedza kutaura
namama usanyanyo zvidya moyo I love u with all my heart" Ndakamuudza kuti hazvaiita nekuti mai vake
vainge vataura kare kuti nyangwe zvodii vaisambofa vakandigamuchira semuroora wavo. Akachema
chema asi ndakamuudza kuti zvaive zvinhu zvainge zvisina kunaka kupesana nevabereki vedu nekuda
kwenhar, plus zvaingove pachena kuti we were not meant for each other. Lunch hour yese yakapera
tichingoitisana nharo achiti nyangwe vakasakutambira ndinokuda wakadaro asi ndaitsika madziro,,
ndaisada kuita zvenharo, plus zvaitove pachena kuti nyangwe hanzvadzi yaKelvin wacho aisandida saka
hapana aindi supporter. Takazoparadzana asi Kelvin aingosimbirira kuti handikusiye Tale, asi zvaitopinda
zvichibuda neimwe nzeve.Ndainge ndisisadi.

Mazuva akafamba chaizvo zvekuti Kelvin akatanga kuona kuti ndaitorevesa shuwa kuti ndainge ndisisadi
nezvake. Zvakamurwadza but painge pasina chekuita,,akatanga kutongozvigamuchira padiki padiki
kusvika atoona kuti ndozvavepo. Akambotuma Kudzie kuti ataure neni but yaive same story.
Ndokwakave kusiyana kwangu naKelvin asi aipota hake achiuya kubasa kwangu kuzondiona asi
ndaitoona kuti munhu airwadziwa but hapana zvandaizviita,, ko hant ndaisadiwa here kumba kwavo
nhai...

Mwedzi yakafamba zvekuti tainge tave muna November.Tainge takaronga kuti taizoenda kumusha
pachristmas naCharity wangu saka ndaitofara hangu kuti ndaizonoonana nevabereki vangu vandainge
ndapedzisisira kuona paholiday ya April. Kana Tadisa ainge ongoimba kuti "mama ndiri kuda kuenda
kumusha kuna gogo" zvinova zvaibva zvaita kuti ndivafungewo kana neni. Ndivo vaive mufaro wangu
ivavo,,ndidzo hama dzainge dzasara idzodzo saka handairega kufunga nezvazvo.Kana iri nhumbu yaMelo
ndofunga yainge yoda kuzvarwa nekuti pandainge ndapedzisira kumuona muna August kadumbu kake
kainge kakura. Mai Panashe ndainge ndisisavabvunze chinhu nekuti ndakatoona kuti vaive nehana
yeplastick yaisatana kutsemuka saka ndakango zvinyararira hangu handina kubvunza kuti zvakamira sei
koko asi chandaiziva ndechekuti Melo aiita kukanga waya ariko ikoko..

Ndainge ndatokanganwa nezvekuitawo mukomana izvi ndaito planner hangu kuti gore raitevera racho
ndaifanira kutsvaga chicourse chekuita ndichiri pabasa kudai nekuti ndiwo waitove mukana wacho.
Rimwe zuva iri wikend takatogara hedu pamba naCharity,, mai Panashe vakabva vafona, ndikaziva kuti
vaive varemerwa nedotcom,, ko taivaziva zve vaive news repoter.Ndakambovaiginowa hangu kekutanga
kusvika Charity azoti "Tale daira phone mhani" ndipo pandakazodaira pavakafona kechi2. Ndichingoti
haloo vakabva vatotanga kutaura vachideedzera,, apo vaiita kudeedzera saEusofia uye ano acter
maNigerian movies zvikanzi " Ehe mai Tadi muri sei uko makazvinzwa here kuti mainin vakaita mwana
mukomana kuno nezuro apo vakaitwa operation futi havasi kukwanisa kana kudii ndini ndiri
kutombovabatsira Andrew atove ne 1 week asipo hameno kuti arikugarepi" Ndakanyatsotyora hangu
sendisina chandanzwa ndikati "agh tinongoti makorokoto" ndokubva ndanyarara hangu vachibva
vatanga kudeedzera futi,, ndakangoti mai ava asi pavari hapana netwek here kubva vadeedzera kunge
vanopenga kudaro... ndakangobva ndaziva kuti ndaidealer nemunhu akazhangandira. Vakazondinakidza
manje zvikanzi "ehe mai Tadi muchiripo here paphone apo?" ndikati yagh ndiripo mange matii?" zvikanzi
"manje pange pasina preperation yemwana takangomuputira netauro randakamupa raimbenge riri
raPanashe hameno kuti todii?" Ndakangoti mai vanondishura ava chokwadi,,vaida kuti nditengere Melo
hembe dzekamwana kake inin manje munhu waainge akaudza kuti ndirimbwa yemunhu?Mutauriro
wavaiita vaiita kunge vainge vatumwa naMelo ndakangoti ndoinonzi miedzo chaiyo yavaindiitira iyi.
Ndakanyatsopindura ndakatyora zvangu ndikati "Aagh hoo inga pakatoipira tuu ikoko" Zvikanzi ma1
ndosaka ndati ndiphone,,, ndikaita hangu sendisina kuzvinzwa ndikati iribhoo regai ndimbonogeza,,apo
ndaitira kuti vakate phone yavo nekuti vaitondinyaudza. Ndopandakaona kuti zvainge zvakatomuomera
chokwadi,,asi ndozvinoita life ka nhai,, ndozvaaitsvaga Melo.Apo aive muzvere, futi zvinenge zvichitoda
kuti uwanewo kudya chikafu chakanaka plus nemarwadziro andaingonzwa kuti ndoanoita operation,,
aitove panguva yakaoma chaiyo,, asi hapana chandaikwanisa kumuitirawo nditori munhuwo..
ndaitorwadziwawo nezvaainge andiitira Melody.Hameno kuti aizozvifambisa sei ikoko , aitocheka
masiket ake opfekedza mwana. Ndohupenyu waainge akasarudza zve aitofanira kuzvigamuchira apo
Andrew wacho ainge amutiza futi.. zvakaoma...

Kubva ipapo handina kuzombonzwa kuti airama sei nekamwana kake,, ko ndaizvidii hangu ini.
November akazopera tikabata December zvekuti Christmas yainge yoswedera. Melo ndaitoziva kuti
aizoitamba ari munzara chete gore iroro ,,aitozopona pamwe nekukwata kwamai Panashe,, nekuti
vanenge vaive vaakuwirirana chaizvo. Taitove busy rimwe zuva tichisungirira zvima baloon mushop
medu nezvimwe zvima poster zvainge zvakanzi "We wish you a marry christmas" Taive nesale futi
mushop medu,,zvinhu zvaidzikiswa maprice sezvo yaive festive season, saka vamwe vaive busy
kunamirira namirira zvimasticker mumahwindo,, tichitofara hedu. Nditori busy kuita zvandaita zvangu
ndakangonzwa ndaakunzi naRumbi "Tale uri kudiwa namother ava" Pandakacheuka kuti ndione mother
vaitaurwa,, ndakashamisika nekuti musakariro wainge wakaita Melo wacho apo mwana ainge asungwa
nezambia rezanu,, aye anopihwa vanhu pamusangano,, ndiro raive raper yacho, pamusoro pakaiswa
chitauro chimudzoto zvacho,, mwana ainge akapfekedzwa mahat maviri eshinda yewuru maybe aiitirwa
kunzi adziirwe. Iye manje ainge akaita zvekuzogerwa musoro manje nechigero chemaoko chiye
chinoshandiswa nemateller kana vachisona. Iiigh zvaisiririsa but ndakaita sendisina kuzviona apo,,
zvainge zvakapfekwa zvacho, amanakaaaa...

Akabva ati sisi Ta... asati apedza ndakabva ndamuti "wati ani?" zvikanzi "haa imi sisi Tale musada
kungodada zvenhema apa hanti munonzi sisi Tale here?" Ndakabva ndaona kuti ainge asati asiya
chihunhu chake chekuzvikudza nekusagona kutaura. Aisagona kuzvininipisa manje ndaida kumugadzirira
size tsvene chaiyo. Ndakabva ndamuti "pliz buda muno uri kutondibhowa Melody ibva pano" Achibva
aridza zitsamwa rekwa Ini Edo riye zvikanzi " Ndaakuenda nxii handidadirwe nemunhu ini achibva
abuda" Ndakasara ndichiseka zvangu zvikanzi nevanhu ndiyani vako mother vabuda ava ndikati hameno
kuti ndiani handivazive ini,, ndakadaro ndichinyepa hangu...

CHAPTER 33

Ndakaseka hangu nezvainge zvataurwa naMelo,, kutozoti handinyengerere,,shame.Ndaitoshaya kuti ko


kana aisanyengerera munhu aitsvage kwandiri. Aida kuzviita muhard kunze kwekungoti angozvininipisa
pamwe chete nekugamuchira kuti akakanganisa. Ndakatoona kuti type yaMelo nekuzvitutumadza
aisambofa akapfugama kuti ndiregerereiwo,,manje ndozvandaida kuona izvozvo. Vamwe munogona
kufunga kuti ndaive ndamuvenga zvekusamuregerera,asi ndaida kuti Melo ambodzidza kuti hupenyu
haudi kuzviti ndini chaiye hapana wandonyengerera. Netsitsi dzangu pamwe dai akauya achikumbira
ruregerero ndaigona kumunzwisisa asi aitoratidza kuti aive nedaka neni saka taifanira kuratidzana kuti
ndiani mukuru . Maondero aainge aiita aitosiririsa pamwe zvaiwedzerwa nekuyamwiwa plus kushaya
chikafu. Ndakatoshayawo kuti sei ainge asina kubatwa nemweya wakaipa wekubvisa nhumbu nekuti
Melo aisagaya.. ndakaziva kuti anenge aive atyisidzirwa naAndrew. Waizomuziva kuti ndiye Melo
wekunaka uye,,, ainge angove marangwanda zvavo, Ndakabvuma kuti nhamo yainge yamutamba tsvina
nekuti Melo makare ake aitoseka akaona munhu akagerwa nechigero chekuchekesa hembe... apo
ndicho chaainge akarumwa rumwa nacho mumusoro zvekuti magererwo acho waitadza kunzwisisa kuti
asi munhu akamborara akazora dovi mumusoro akazodyiwa bvudzi negonzo.Ndozvinoita Mwari
izvozvo.... kana vari ivo vanosimudza marombe kubva muguruva vachivagadza pamwe chete
nemachinda,,ndivo zve vanogona kukuburutsa kwawange ugere nemachinda vachikudzorera muguruva.

Ndakazonotsanangurira Charity nezvaMelo zvikanzi "dai wamutora picture ndamboonerera


hangu".Takazopihwa maoff days ndokugadzirira zvekuenda kumusha kunoona vabereki. Sezvo yaive
christmas,,, ndakatengerawo Josiah naSusan vaigara kumusha hembe dzekuti vazonopfekawo.
Takatengawo magroceries ataida kuenda nawo kumusha,,, mother vedu vaidawo kuenda kwaMutare
kumusha kwavo kunoonawo vamwe saka pamba paitozosara pasina munhu. Takarongedza zvinhu zvedu
uri musi wa24 Dec ndokusimudza mota yedu takananga Hwedza. Takafamba bhoo chaizvo zvekuti
takasvika vanhu varipo pamba sezvo musi wa24 wacho chaive chisi,saka vanhu vaisave muminda.
Takatanga taenda nekwaana Charity tichinoona vanhu nekusiya zvinhu achibva azonondisiya kumba
kwedu. Vanhu vakafara zvisingaiti vachitiona. Tadisa kakabva kangomhanyira kunaSekuru vacho zvikanzi
"ndakuvigirai masweets." Zvaingofadzawo mufunge,,tese taifara takatosununguka zvekusvika
pakukanganwa nhamo dzese. Kana imbwa chaidzo pamusha waiona dzichitambisa miswe kuratidza kuti
zviro zviri kufaya. Eheka,,inga bible rakataura wani kuna Ecclesiastes chapter 3 kuti _There is a tym and a
season for everything under the heaven_ mukanyatsoverenga pa kubva paverse 1 -8 panotaurwa
zvakawanda zvinosanganisira kuti _ _there is a tym to dance,and there is a time to mourn_ pamwe ponzi
zvakare, _ther is a time to weep and there is a time to laugh_ Mukanyatso nzwisisa chapter iyoyo
munoona kuti paingozama kutaurwa kuti chimwe nechimwe chine nguva yacho. Yainge yavewo nguva
yedu kuti tifare nekuti ndiri seni ndainge ndachema pakawandisa nekuda kwaMelo. Ndopandakaona
kuti ichokwadi kuti hapana situation iri permanent muhupenyu. Nyamwe tikambosvika panguva
yakaoma sei, nguva yekufara inosvikawo chete. Ndozvaisazivikanwa na Melo izvozvo kuti kufara kwaaiita
naAndrew kwaisvika pakupera and rudo rwavo rwainge rwakafanana nebuble gum.. rwakasvika
pakupera panonaka....

Ndakafarawo ndichinzwa kuti Susana ainge akapasa ndikaona kuti paari paive nechiedza chaicho.
Ndomukana wainge wakarasirirwa nana Melo. Musiwa 25 takaswera tiri pamba zvedu tichifara semhuri,
tainge titori bhoo tiri six kudaro,, ko zvomboda kuwanda here kuti munakidzwe,,ende kufamba famba
muchimberereka kuenda kumashops hakusiiko kunakidzwa,,nyange muri pamba penyu ipapo
munongofara. Ave maskati ndainge ndakagara hangu namainin nabamuni tiri pasi pemumango
ndichitaura nyaya yekuti ndaida kuti vatange project yehuku, vasiye zvetengesa madomasi. Tiri pakati
pekutaura takangonzwa kuchema kwemwana mucheche nechekuseri kwekitchen yamainini yataibikira.
Takangofunga kuti pamwe munhu aiuya pamusha pedu akabereka mwana,, takatombozvi ignowa
kusvika ndazoti Tadisa enda unotarisa kuti ndiani anemwana ari kuchema kuseri kwekitchen nekuti
munhu wacho ainge asiri kubuda pachena uku kamwana kaingochema.

Tadisa panda kamutuma aitove busy kunetsana nechidya chehuku chaainge apihwa nasekuru vake
pavakange vapedza kudya vakangochisiya. Tadisa akangomhanya kuseri kwekitchen kuye akachibata
munongozivawo hunhu hwevana vadiki ndakatombozama kuti "Tadi iwe chimbosiya nyama muplate
unodzoka wodya" asi hapana akandinzwa kakangorova speed kananga kuseri kwekitchen.Akanoti nyaa
ariko kuseri kuya tikatoshaya kuti chii chaiitika. Tym tym ndakaona Tadi akudzoka asina nyama iye,
zvakandishamisa kuti Tadi ndiye ainge apedza here nekuti aisambopedza nyama kudaro nehudiki hwake.
Ndakabva ndaona achisekerera zvikanzi "mama,,kune vari kuseri uku vandibvutira nyama yangu apa
vane kanhanha,,, zvaitomuitira funny mwana wangu zvekubvutirwa nyama,, saka ndakasimuka ndichiti
ndinoona kuti ndiani ko iyeye aiita kunge asina kukwakwana anobvutira mwana mudiki zvekudya, kuita
hunhu hwakafumuka kudaro apo aingorambirira kuseri kwekitchen ikoko kunge muroyi. Pandakasvika
ndichiona munhu wacho ndakashamisika hangu kuti zvaari manenji nhai Jesu weNazareta......

Aitove Melo hake ainge akagara nemwana wake kuseri kwemba apo aitori busy kutsenga mabhonzo
enyama yaainge abvutira Tadisa,,paakandiona haana kana kutombokendenga hake akabva anditi " ko
hamuzive munhu here nhai sisi Tale kuramba makandiyeva musingatore bag rangu kuti tiende mumba,
munongoudza ana bamunini kuti Melo adzoka pamba" Aaagh ndakashamisika nezvaitaurwa naMelo izvi
akatogumbatira kamwana kake,, apo racho rainzi bag kaive kasatchel kake kandainge ndakamutengera
achiri kuchikoro ndofunga ndimo maive nehembe dzake nedze mwana hamenooo.Aisarega kuchema
here nhaimi mwana iye ainge akapfekedzwa kanenge kahovhorosi keshinda nehat yacho yeshinda
ndofunga ainge akapihwa namai Panashe... aah shinda inovava veduweee ndofunga ndosaka aichema
mwana apo ainge asina kana imwe hembe mukati kunze kweshinda idzodzo. Iye ainge ari mujersy rake
reDynamos neiwo musoro wainge wainge wakagerwa nechigero chemicheka mutsoka maive nemamwe
matenesi ake andainge ndakametengera kare achiri kuchikoro kuti aendese kumasports ari ewhite,zvino
apa ainge achinja colour akuita se ecolour yebezh nekutindivara.Ndakatoshaya kuti zvaive zvivindi zvei
kutokwira bhazi kubva kuHarare achiuya pamba nekuti vari sabamunin vaisamboda kumuona face yake
ndaitoshaya kuti mumba maani maaiti ndimutakurire bag rake ndiyende naye. Ndopandakaona kuti
Melo aitove mudhinihwe chaiye.
Ndakaramba ndakatyora hangu ndakamuyeva hangu ndakamira iye agere pasi achingopumha pumha
kamwana kake. Akabva azotaura zvikanzi " nxii ,sisi Tale mazuvano munodhuva kuda kushamisira asi
ndiko kabasa shungu kamakatsvagirwa nechishamwari chenyu chekusaroorwa
ichi,,chiCharity?ndakaramba ndakamuyeva hangu ndakamira paseri paye zvikanzi manje ndatouya
zvetumachembere two twepano izvo zvekuti havadi kundiona pano ndezvavo ndatouya kuzogara pano
by ginde"Hasha dzangu dzakatanga kuuya manje,, ainge aakuzondifinhura nemutauriro wake, ainge
akanganwa kuti ndainge ndambomu gamuchidza mambama maviri mwedzi yainge yapfuura. Aiona
kumunyararira akafunga kuti ndaimuzeza.Ndainge ndakuda kutora action manje nekuti ainge aine
mukanwe makaumburukwa nechidembo,, aisaziva zvekutaura ende icho chekusagona kuzvininipisa
ndochandaida kupedza .....

Ndofunga mainin vakangoona ndati zii kuseri kwekitchen kuye ndakaona vateerawo
ndokusvikosanganidzanawo nemashura aMelo aya,, vakatoshamisikawo nazvo vachibva vati " ko iwe uri
kudei pano nekamwana kako?" achibva anyatsodaira asina hanya zvake zvikanzi "aaagh nhai mainin
mubvunzo rudzii iwo... ndakamugadza mbama iri strong asti apedza ndokubva ati zii. Mainin vakabva
vadeedza bamunin zvikanzi "Eh sekuru vaTadisa huyaiwo muone mashura ari kuno" Paakanzwa
pachidaidzwa bamunin akabva asimuka pasi paainge akati mvumvuva ndofunga aida kutiza nekuti
bamunini aivatya. Akabva anomira nechekure ndokusimudza kabag kake ndokumira. Bamunin
pavakangoona kuti aive Melo vakangoridza kamuridzo ndokuti Bingo,vasati vapedza kuti Tiger Melo
ainge arova pasi achitiza nekuti imbwa dzaidedzwa idzi aidziziva kuti dzinoruma zvisingaite ndosaka
akamhanya kudaro,, waizomboziva kuti akabereka mwana here. Bamunin vakazosara voti kuimbwa saa
but Melo ainge aita iye yekwa jah pryza kuti kumbumura mhute kungozoti kwake waive kumbumura
guruva...

Takaseka hedu achitiza imbwa ndikati magona haadzoke pano,,iko kusanyara kutongosvika achibvutira
Tadisa nyama,, kushaya hunhu... ko ange achaiziva here nyama...hayaa kutozouya musi wechristmas
ndofunga aitoti tinotoidya tese nyama kumusha , zvino ainge apotsa kutaimira.Ndaitoshaya kuti ko mari
yekubva kuHarare ainge aiwana kupi. Takasara tichiseka hedu. Pasina nguva takaona mwana wasabuk
waaimbonzi aidanana naye achisvika pamba zvikanzi "ndauyawo ndanzwa kuti Melo auya nhasi,,pane
munhu amuona saka handina zvizhinji zvandiri kuda kwaari ndiri kuda mari yangu yakandidya tichiri
kudanana. Ndakangoti baba ava vanotishura shuwa. Takavaudza kuti Melo wavo ainge arova pasi
zvikanzi "aita luck atosanotiza nekuti pandomubata shuwa ndomusvina akarutsa matumbu ake" Akadaro
achibuda muyard medu, ndakangoona kuti vamwe varume vakapusa,,shuwa vaidyiwa mari naMelo
mucheche wemwana vakatarisa,vasiiwa ndipo povozoti ndaakuida.....madrama chaiwo
Takazotamba christmas yedu bhooo ndokuzogadzirira kuenda kuHarare naCharity wangu. Takaonekana
nevabereki todzokera kumabasa hedu. Melo ndofunga kubva musi wekumhanyiswa akatokwira kombi
akadzokera kuHarare kwaAndrew,,ko aigoendepi? Tiri munzira kuenda mai Panashe vakabva vafona,,,
ndakangoti ko vaideiko mai ava futi?" Ndakadaira hangu zvikanzi "haloo mai Tadii muri kupiko,, Melo
akarohwa naAndrew akakuvara kuno izvezvi atori muhospital aka admitwa ndini ndinaye"ndakangoti
inga ma 1ko chiiko chakaitika zvikanzi "Melo paakaenda kumusha ainge atengesa Tv apo Andrew ainge
asipo kuti awane mari yebhazi nekuti aiti akunogara kumusha,, manje paakadzoka akawana Andrew
adzoka ndokubvunzwa kuti ko Tv wakaisepi zvikanzi yakabiwa ndokutanga kurohwa kusvika ati zii" Ehe
ndaive ndakatadzirwa naMelo but ndakarwadziwa shuwa. Rwendo rwese ndakafamba ndichingo gaya
kuti ndoenda here kunomuona kuhospital kwacho kana kuti ndorega.......

CHAPTER 34

Ndakabvunzawo Charity kuti zvinoita here kuti ndiyende kunoona Melo kuchipatara zvikanzi "Izvi zviri
kwauri Tale,,ndiwe une kodzero yekusarudza zvaunoda kuita." Chaive chokwadi ndaifanira
kunyatsofunga zvakanaka ndisati ndatora action nekuti munhu wacho wandaifunga kunoona
kuchipatara aive mhepo zvake. Melo aive mudiki chaizvo, zvekuti ndakatanga kutoona kutiyaitove abuse
yaiitwa naAndrew iyi. Hakusi kuti ndaifarira zvavainge vakandiitira vanhu vaviri ava, asi Andrew wacho
ainge ozvimyanyawo mufunge. Ndaitoshamisika kuti ko hunhu hwekurova uhwu ainge ahuwanepi
nekuti kubvira takagara tese,,haana kana musi 1 waakambondigadzika kana mbama zvayo. Zviri
zvekurohwa izvi taitozvinzwira kuma next door,ana mai Panashe, vaigarorohwa kunge nyoka yapinda
mumba. Rimwe zuva vakarohwa kusvika Andrew aenda kunogogodza mumba mavo zvikanzi "mudhara
zvakwana mumba umo hey",,,ndakaona soja ramai panashe raakubuda nesaga rehupfu kunorasira
panze,,zvinova zvinhu zvataitadza kunzwisisa kuti saka hupfu hwapara yei manje hwaakuraswa kudaro.
Ndopaunoona kuti vamwe vanhu haavagone kuzvi controller.Chainge chondishamisa manje apa
ndechekuti ko iye Andrew wacho aitombotsuura baba panashe vachirova mukadzi,ainge akazopindwa
nemweya rudzii?

Tiri vanhu,tese tinotadza nenzira dzakasiyana siyana,so tinofanira kuzvigamuchirawo kana tatadzirwa
nekuti bible chairo rinotaura kuti tinofanira kuregerera. Melo aive muni'ina wangu and kunditadzira
ainge anditadzira zvinorwadza,handirambe. Kana kuri kupfidza ndaifunga kuti ainge azodzidza manje
kuti ndozvinoita hupenyu. Ndakazosara ndosvika kumba ndakutoziva kuti ndaifanira kunoona Melo
kuchipatara. Ari saAndrew ndaizviziva hangu kuti Mwari haasi wake ega,, zvaitozo muwanawo
nepamwe,,ko zvechipfambi zvinombotora nguva yakareba here? Charity akati aizondiperekedza
kuhospital kwacho kuGomo kwaive naMelo wacho. Ndaitoshaya kuti saka izobhadhara mabills acho
ndiyani manje nekuti Andrew wacho aisave nebasa naMelo. Ndakangoti ndaizonozviona ndasvikako kuti
zvinenge zvakamira sei.Sezvo tainge takaneta nerwendo rwekumusha takangowirirana naCharity kuti
taizoenda kuhospital mangwana acho pavisiting hour yemasikati nekuti takazorangarira kuti Tadisa
aisave newekusara naye,saka taifanira kumirira mother sezvo vaive vataura kuti mangwana acho iwayo
ndopavaizobva kwaMutare nebhazi rekuseni seni.Munongozivawo kuti vana vadiki havasi
vekuwanzoenda navo kuzvipatara saka ndakatoona kuti better tizozviita zviri zvezuva raitevera racho.
Charity haana kumboita nharo nedecision yangu yekunoona Melo iyi, akatoti aitodawo kunomuona
sezvo aitarisirawo kuona Melo wacho achinja hunhu hwake zvinova zvataishuvira tese tese.

Kuseni kwezuva rataida kunoona Melo racho mother vakabva vasvika tichibva tagadzirira kuti tinoona
murwere wedu na 1.Mai Panashe vakabva vafona ari makuseni zvikanzi "vave nani mainini vave
kutokwanisawo kutotaura nyaya asi vanzi vari kubuda mangwana" Ndakavati ndaiuya masikati
kuzomuona zvikanzi horaiti tokuonai mauya nekuti pakatoipa izvezvi,hapana mari yemabills plus chikafu
chacho ma1 chaiwo" Ndakangoti "horaiti ndichaona zvekuita". Takatenga tengawo mafruits nechikafu
chekuti murwere anodyawo ndokusimudza mota takananga kuchipatara,pasina nguva tainge tasvika asi
painge pasara 5 minutes kuti 1 ocklock dzacho dzikwane. Takapaker mota yedu nechemukati
ndokufonera mai Panashe kuti vauye kuzotitora sezvo taisazoziva ward yaive naMelo wacho.
Takavaudza patainge takaparker mota yedu vachibva vati ndiri kuuyapo manje manje. Pasina nguva
vakasvika vakabata mwana waMelo... ko ndovaive votomuchengeta zve hant mai vaive muchipatara.
Ndakanzwira mwana tsitsi shuwa nekuti twuhembe twaainge akapfekedzwa twacho twaive
twumutabvunya twaisaita. Mukore uno shuwa,,mwana kupfekedzwa aye ataipfeka kare ainzi
mabhutusi,,apo ari eshinda dzanzwa nekusakara. Ainge akazvarirwa hake nhamo mwana,apo
aingochema akabatwa namai Panashe vaye,,,vachingosvusvudzira asi aingochema.Ndakazovati ndisvitsei
mwana ndimbotrayer kumunyararidza pamwe anganyarare. Pandakangomubata akabva ati zii kunge
aisave iye ainge achichema. Takangotarisana tichishamisika. Chimwe chinhu chandaka noticer pamwana
ndechekuti aive netsvina chaiyo yekusagezeswa,plus idzo shinda dzaaipfekedzwa dzinovava kani imi,,
apo musoro wemwana waive nemazibvudzi,,iye mucheche wemwana kudaro. Ko aimbozviziva here
Melo zvevana izvi,,aingovewo mwana ane mwana wake. Mai Panashe vakati vaida kumbomhanya
kumba kunogeza nekudya sezvo vaive varara husiku hwese vachisvusvudzira mwana
waMelo.Takavatenda nerudo rwavo chero vaimbowanza dzungu dzimwe nguva. Vakatiudza ward yaive
naMelo wacho ndokubva vandisira mwana wake vachiti vaimbomhanya kumba vaizodzoka kuma2.
Ndakavabvunza zita remwana zvikanzi anonzi Andrew Junior Charity akaseka hake,,zvikanzi "Melo haasi
serious angaremedze mwana nechzita chaAndrew rombe iroro ?" Ndakangosekawo hangu apo
taitofamba nemapaper bag edu aive nechikafu nemafruits tichienda muward maive namai
junior,,ayas,,nhamo ine nharo......

Tichipinda mukati takawana Melo akatogara hake pabed ari busy kumenyana neorange,,ndofunga ainge
atengerwa namai Panashe.Haana kana kumbovhunduka achindiona zvinova zvandaifungirawo kuti pada
achavhunduka nehuvepo hwedu.Mumusoro maive nebandage zvimwe chete neruoko. Muromo wainge
wakazvimba kuita wenguruve, pamhanza paine chibundu apawo ziso raiita serakachekeka.Ndakangoti
inga Andrew aive mhondi chaiyo. Akatoramba ari busy kumenyana neka orange kake akagara pabed
paye zvekuti takatoshaya kuti ko asi haasi kutiona. Charity aisatana kubhoikana,,akabva ati "nhai Melo
saka ukuzama kutaura kuti hausi kutiona ipapo?" akatoramba hake ari zii ndokumedura kambadzi
keorange ndokutanga kusvisvina,, akandikanda rimwe ziso rekuti ndakashaya kuti ko ndaparei futi apo
ndainge ndakangoti tumbi ndakamira nekamwana kake mumaoko. Akanyatsorova orange rake chizii zii
ndokupedza,achibva asimuka. Aitoita kutatarika semunhu ainge akakuvara.. ndakatoshaya kuti ko
aisimuka kuti aendepi manje. Akangofamba achiuya pandiri ndokusviko bvuta mwana wake aive
mumaoko mangu. Moziva semwana ainge akato relaxer ari mumaoko mangu, akavhunduka
nemabvutirwo aainge aitwa namama vacho achibva aridza zimhere. Takangotarisana naCharity nehunhu
hwairatidzwa naMelo uhu apo charity ainge akangobata mapaperbag mumaoko atainge tamuvigira.
Ndakabva ndamuti tauya kuzokuona uri sei?" ,,,ndaida kunzwa mhinduro yake nyangwe zvazvo ainge
atoratidza kusemburwa nesu...

Akatanga anditarisa zvikanzi "ndiri sei chii chacho,,hausiwe waikuzirira bamunin vachinditsomesa
nembwa kumusha uko nhasi woti tucha tucha uchiuya muno,manje handisi kuda kana rubatsiro rwenyu
ini kana vari mai Panashe vakakuudzai kuti ndiri kuchipatara, ndichavabvisa dzungu rese iroro nxii vane
hana nhete streki,,basa rekutaura dzisiri dzemumba mavo. Iiih takangotarisana naCharity tichishaya kuti
todii asi Charity ainge atosvotwa kare. Ndisati ndadaira akabva ati handina hama dzakaita semi inini
ndozviraramira life yangu,,handidye chemunhu,very sorry ana sisi handina basa nechikafu chenyu ini,,
handikokote munhu sedovi inini.. ndonzi Melody ndozvimirira plus 1 more thing,mwana uyu ndewangu
handide kukuona wakamubatwa wanzwa plus murume wangu afona ati ari kuuya so dont worry henyu
handidi kuchengetwa nemi ana sisi dhori"Haa Charity akabhoikana ndokubva amuti "Thats enough!"
hindava wakadzungaira iwe unofunga kuti uri ani pauri ipapo dai Andrew wacho akanyatsokuponda
neku..."haana kuzopedza makabva mapinda umwe nurse aive netray yaive nemainjection
netumabhodhoro twemushonga. Akabva ati "muri sei asikana ndimi here hama dzamother ava
takabvira kuvabvunza nezuro kuti maronda enyu ndeekurohwa ka aya,, asi vari kungoti ndakatsvedza
ndikadonhera padombo" Ndakaona kuti Melo ainge akapusa chokwadi. Aitya kutaurira manurse kuti
akarohwa naAndrew nxii. Iye akabva atojinyura zvikanzi "Nhaimi nurse munogonditi ndakarohwa kunge
maivepo seiko ?" Nurse uye akangotiwo kanha nazvo. Charity akandidhonza zvikanzi ,"Tale ngatibude
muno tiende kumba munhu watavinga isaskam chairo". Takangobuda nemaplastik bag edu echikafu kuti
tiende kumota.

Tichangoti budei muward maMelo tave pakona takabva tasangana na Andrew akabata kapepa kaive
nemaapple ndikaziva kuti aienda kunoona Melo. Zvese zvaitwa naAndrew zvekuuya kuchipatara izvi
ndakazviziva kuti kwaive kuzama kunyengetedza Melo kuti asamusungise. Charity akaridza zitsamwa
patakapesana naye,,iye haana chaakambotaura hake akangotsikitsira kuratidza kunyara. Takanopinda
mumota medu ndokuenda ko taigarirei hedu.. takatoenda tichidya hedu mafruits atainge tavigira Melo,
ko taigosiirei chikafu chedu hant aive ati anozvimiririra....
Nyangwe dai ndaida kuregerera Melo,, ndakasvika pakuora moyo. Aisambochinja hunhu hwake,
ndaitoshaya kuti ko chiiko chaive paari. Kutadza kwake kose aisambokuona zvinova zvinhu zvekuti iwe
wacho wakatadzirwa nyangwe dai uchida kuregerera waisvika pakusurrender. Ndakangoona kuti
ndaivavarira kubatsira munhu asingabatsirike saka ndaifanira kurarama life yangu ndosiyana naye nekuti
nhamo yese yaaiona iyi aisamboiona. Nyangwe zvikanzi hudiki,Melo aisambove mudiki zvakanyanya
nekuti nekuti ainge ave kuda kutonana vira mu18 years saka pfungwa dzake dzaifanira kushandawo asi
iih,,aitoita kunge pane zidhimoni rakamugara. Ndiri seni ndaitoshaya chaainge akandivengera apo ndiye
ainge akanditadzira futi. Ivo mai Panashe,moyo chena wavo vainge vatomakwa futi,, ndopandakaona
kuti Melo aisayamurika muhupenyu hwake.Maybe aida kuzonyatso bvuma ave kudya mumabin.
Ndakatoona kuti kusiyana naye ndiyo yaive solution nekuti hunhu hwake hwaitopedza simba.

Kubva ipapo handina kuda kuzobvunza nezvake kana kuziva kuti airarama sei. Takazodzokera kubasa
ndokutanga kushanda hedu,, Kelvin aipota achiuya kuzondiona dzimwe nguva. Ainge atokanganwa
nezvekuti takambodanana... ko unopedzisira wanetawo ka nhai,, akambonyengerera asi akaona kuti
madhiri hapana hapana. Ndakatozo udzwa hangu naKudzi kuti ainge ave kudanana neumwe musikana
wavaishanda naye,,asi iye haana kana musi waakambozviti bufu. Ndofunga ainyara kundiudza achifunga
kuti ndinorwadziwa,but ndainge ndatokanganwa nezvazvo ini. Vanhu vakatombofunga kuti tadzokerana
but inin naye tainyatsoziva kuti hapana hapana, hwaingovewo hushamwari.

Rimwe zuva ndaitove busy kusarudzira umwe musikana necklace sezvo aiti aida kunoperekedza
muchato,, ndaitove busy kutarisa yakanaka,, pandakasimudza musoro ndakaona Andrew achipinda
mushop medu ndokusvikonanga pandaive chaipo. Ndakatoshaya kuti ko aidei saka ndakangoramba
ndakamira ndichida kuona kuti aidei. Akasvikomira pandaive zvikanzi "muri seiko ana Talent
vekuchengetwa nezvikomba?" Ndakangoramba ndakamuyeva hangu ndiri zii zvikanzi "ndauya
kuzokuudza kuti ndiri kuda mwana wangu haanga mbochengetwe nemari yezvikomba ndiri mupenyu
ini" Ndakangoti baba ava vanondishurira shuwa,, ndokuramba ndiri zii zvangu zvikanzi "ukuramba
wakanyarara kunge usina muromo manje ndosiya ndakudzemura ukanyara muno mune vanhu hanti
unovhaira streki nechishamwari chako chitsikombi chiye" Ndakabva ndadaira nekubhoikana ndikamuti
"Andrew undinyare wazvinzwa usafu..." handina kuzopedza ainge andimhara neimwe mbama yandainge
ndisati ndamborohwa nayo muhupenyu hwangu apo yakaita kurira.

Vanhu vese vakashamisika vachitarisa pataive takamira. Vakomana 2 vaiwanzo guarder pamusiwo
vakabva vasimuka ndokuvhara musiwo weshop,, zvikanzi neumwe wacho,"mudhara mune dzungu imimi
akakuudzai kuti vakadzi vanorohwa ndiani plus muri kukanganisa munhu ari pabasa,madii kumumirira
kusvika achaiyisa manje nhasi tiri kuda kumbokuratidzai takakuvharirai muno kuti kana nesu tiri varume
futi togona kurova because hatingasiye mumwe wedu watoshanda naye achirohwa papublic mirai
tikushandirei muno muchamubuda mave bhoo...."

CHAPTER 35

Andrew aive aonorerwa kutaura chokwadi,,, ndaitoshaya kuti ko chaainge andirovera chii,, saka ndaida
kuti vakomana ava vambomurovawo aone kurwadza kwazvinoita. Aida kutozviita muhard nekurova
manje apa ainge airasa. Ainge angoti undundu akamira ndofunga kwainge kwave kutya. Umwe
wevakomana vaye akabva ati "right mudhara kana muchigona kurova stereki nhasi tiri kuda
kumbozvionawo nekuti kwamaita uku ndokunonzi kufarisa" akadaro achimukanda chibhakera umwe
wacho achimukava kumagadziko chaiko. Ndopandakaona kuti Andrew aitove gwara chairo kutadza kana
kudzorera akangomira,, Vamwe vakabva vatanga kutora vedio rezvaiitika ini ndakangotarisa hangu.
Ndaisada kuti zvisvike pakudai,, asi Andrew ainge aratidza hubhinya hwake pane vanhu. Ndakazovati
vamusiye achibva akwekweretswa ndokunokandwa panze. Pana Andrew ndainge ndaakutoda zviri
zvepeace order chaizvo nekuti ainge ave kujairira aisaguta kunyarwa. Mwana wangu waaiti aida
ndaitoshaya kuti aimudii,, aisatombogona kuchengeta kake kacheche kaainge amitisa Melody asi aida
wangu,, zvaisafa zvakaitika izvozvo. Iko kungova bad minded kwake ndokwaimu konzera kufunga kuti
munhu kuti awonekere muhupenyu anofanira kuchengetwa nezvikomba. Andrew ainge ave
kutondifinhura zvangu ini.

Ndakaswera pabasa dama rangu richiita kuvaviririra,, nembama yekwa Andrew nekuti raive zizenya
chairo. Pandakachaisa ndakabva ndabuda panze kuti ndinomirira Charity,,, Ndakangoti mire mire
zvishoma ndokunzwa munhu akandidhonza mabraids angu zvairwadza chaizvo nechekumashure.
Ndakarwadziwa veduweee ndaingove nemunyama nevanhu vaida zvekundidhonza zvinhu mumusoro
nekuti ndoimwe chete yandainge ndakambotambwa naMelo futi paakandidhonza weave. Ndakatombo
funga kuty ndi Andrew nekuti ainge amborohwa masikati acho nekuda kwangu. Ndakangoti nhasi
zvangu Mwari ndopona ini? Handina kuda kucheuka,, ndakangobata musoro wangu kuti ndisanyanyo
rwadziwe nekuti munhu uye akaramba akabata achitowedzera. Pandakacheuka ndakashamisika nekuti
munhu wandaitarisira aisave iye,,, aitovewo mumwe musikana wandaishaya kuti ko aiidarirei nekuti
ndaisatombomuziva ini. Ndakazama kufananidza kuti ko ndiyani ko iyeyu, asi ndakashaya zvamushose
apo akangoramba akandibata mabraids. Ndakanzwa hasha ndokubva ndamuti "hey are you crazy,,
leave me "Akabva andisiya zvikanzi "you are the one who is crazy,, uri kudanana naKelvin mvana yakaita
sewe apo anouya kuzokuona panapa every lunch, manje ndozvandiri kuda kupedza izvozvo nekuti Kelvin
ndewangu, anokudii iwe chembere zvayo?"
Ndakatozvishayirwa pazvo kuti ko chave chii zvakare. Kelvin wacho wandai shungurudzirwa
ndaisambove nebasa naye ini. Ndakaramba ndakanyarara apo akangondibata mabraids angu zvikanzi
"ukuramba wakanyarara uri kuziva nyaya yako ka, ndinonzi Tariro ndini musikana waKelvin chaiye chaiye
enda unobvunza kubank kwatoshandira vanhu vese vanozviziva kuti Andrew ndewangu so yamaakuda
kutanga iyi muchembere hamubudirire" Aagh ndakatoshaya kuti Kelvin wacho aiziva kuti ndohunhu
hune musikana wake here ihwohwo. Dai akabvunza mune zvakanaka ndaigona kumupidurawo asi
aitoratidza kuti aizviita muhard chaiye. Zvinonzi mhinduro nyoro inodzora kutsamwa,, instead yekuti
ndipindure zvaainge ataura ndakangoti "asikana ndokumbirawo kuti mundisiye musoro wangu muri
kundirwadzisa" Akabva atowedzera kudhonza zvikanzi wamboti wadii here nhasi ndoku..." Haana
kuzombopedza kutaura ndakaona Charity achisvikomu dhonzawo kaweave kaaive nako mumusoro.
Handina kana kutombozviona kuti akasvika nguvai. Charity aisada kuona ndichishugurudzwa saka
akangosvikoti mbaa kaweave kemusikana uye achibva angondiregedza ipapo ipapo paainge akandibata.
Ko ainge azonyatso batwa zve nevanogona,,ainzi Charity iyeye. Akabva amuti "ndimi munoitwa sisi ani
ko iyemi munoda kuzviita kunge mune purazi remaoko, kwenyu kugona kusizer stereki handiti?"
Ndakaona musikana uye angoburitsa maziso nekuti munhu aive akamubata aive mutsika patinhira,,
aisaita zvekutamba nemunhu Charity, ana Andrew vakango kwaturwa nawo mambama vakasara
vaakungo bwaira saka zvekamusikana aka aisatombozviverenga hake.Kuchipatara akatongonyara kuti
Melo wacho aive akangozara maronda muviri wese otherwise aigona kutomusiya amurova. Akabva ati
kumusikana uye" taura nyaya yako iwe imbwa iwe" ndokubva musikana uye aramba ari zii zvikanzi "Tale
inyaya yei yawange uchidhonzerwa musoro nehwiza iyi?" Ndakabva ndamuti "angouya achindidhonza
mabraids angu hanzi uri kudananirei naKelvin nekuti mukomana wangu" Charity akabva ati "nxii saka
ndozvaungauye kuzodhonzera munhu musoro wake asi unofunga kuti kaKelvin kako igoridhe here
nhaiwe?" Akadaro achimujunga pamhanza uku akangobata kaweave haana kumbokaregera zvikanzi "
marwadzirwo auri kuitwa ndakakubata kaweave kako ikaka kanenge chisukiso ndiwo marwadzirwo
aange achiita wakamubatawo wanzwa ?" Musikana uye akangoramba ari zii Charity achibva amusiya,
ndokumusundidzira achisviko dhumira pamota yaCharity yainge yakapaker paside zvikanzi " kamhashu
kemunhu kubva nhasi handidi kukuona padhuze naTalent ndinokuita zvinopfuura izvozvi kusvika
wadzidza kuti varume havarwirwe mukore uno" . Ndainge ndakangomira hangu ko zvenoise inini
ndaisazvigona hangu ndaingotenda Charity ndiye aindinunura nguva dzese. Zuva iroro raingove
nemuyedzo kwandiri zvekuti ndakashamisika kuti ko chii chaimboitika kwandiri. Ndainge ndaakutonzwa
kuda kuchema ini,, ndopaiperera shungu dzangu. Charity akazviona ndokundibata ruoko zvikanzi handei
kumba usateedzere zvetwuvanhu twunosemesa itwo" Ndakabva ndapinda mumota achibva aisimudza
takananga kumba.
Ndichingosvika kumba takabva tagara hedu musitting room naCharity, mother naTadisa vaive busy
mukitchen hameno zvaiitwa imomo ko vaiwirirana ka sevanhu vaiswera vese. Phone yangu yakabva
yarira,, nekungoneta neta kwandaive ndakaita ndakabva ndangoisa paloud speaker ndisina kutarisa kuti
ndiani ainge aphona. Charity aitove busy neyakewo ari pawhats app ndofunga aitaura naCharles wake
hamenoo. Ndichingoti haloo ndakabva ndanzwa kuti kaive kavoice kaJoy hanzvadzi yaKelvin,,ko ndainge
ndotoziva mutauriro wavo zve wekutaura kunge nhunzi iri mubhodhoro vachinoser. Ndakatoshaya kuti
ko aidei sezvo tainge tisisataure tese kubva zvandakasiyana naKelvin. Akabva ati "iwe chembere iwe
siyana nemwana wamai vangu uri mbw..."Charity akabva abvuta phone yangu semunhu ainge anzwa
zvese zvainge zvataurwa sezvo phone yaive paloud. Akabva atomutangira kupindura zvikanzu "ndiwe
imbwa isina muswe wazvinzwa,,, uri chi kutu chaicho unodada neiko kuBotswana kwauri ikoko ndiwe
utori chembere pana Talent wauri kutuka uyu, ziva zvekuita chipfambi uri kuBotswana ikoko mbeva
yemunhu," Ainge apedza zvake sahwira wangu aisada zvinononoka, akabva acutter phone iye
ndokunditambidza ndokuti zii zvake kunge asiri iye ange achitaura pafon,, ndokutotanga kutaura
pawhats app nefon yake. Dai ndiri ini pamwe ndaisatombo pindura kana chinhu ndofunga ndosaka
Charity akatora action. Ndopandakaona kuti sahwira wangu aisamboda kuti ndiitirwe masaramusi and
aisatombogaya hake kuti kunze kunei, aibva angozvitaurira ipapo ipapo. Ndakatoshaya kuti ko muyedzo
yacho yaibva yanditeverera kudaro same day zvainge zvambonyanyodiiko shuwa. ...

Mangwana acho takaenda kubasa zvakanaka,, Kelvin achibva auya kuzondiona achitoda kundiratidza
newspaper re Daily News raive neimwe institute yaiitisa zve IT plus zvainge zvakanakira kuti vaiitawo
mawikend classes kuitira vanoenda kubasa. Ndakatofarawo nekuti ndaitoda kuitawo something kwete
kungoshanda pasinawo kana kacourse kandiinako.Ndakatoronga zvekuti ndaizoaplayer kuti nditange
kana zvinhu zvichinge zvaita nekuti ndaida kuti ana bamunin kumusha vatange project yehuku zvinova
zvatakazovhuringwa tichida kudiscusser musi wakauya Melo kumusha. Ndakazomutsanangurira kuti
musikana wake ainge akauya kuzondipopotera kuti tisatambe tese saka ndaida kuti arege kuuya uya
pabasa pangu kuti zvisazonetse. Semunhu aitove murima akatoshamisika ndichimuudza kudaro zvikanzi
"nxii kadzvinyu kemunhu kane hunhu hwakafumuka ndiri kuda kutomurambira izvozvo" Ndakambo
zama kumuudza kuti hazvinzwarwo zvikanzi "ndiri kutorevesa Talent unoti ndosvikepi nemunhu ane
hunhu hwakadyiwa nembwa kudaro zvakangofanana nekuti nyangwe tikazonzi taroorana anenge
achingotuka wese wandinowirirana naye saka handidi hangu ngazvigare" Ndakatoona kuti Kelvin wacho
ndaisambomugona saka ndakangotiwo hamenoo.

Mr Singh vaive muridzi wecompany vakabva vauya the following day nenew staff from India,,
yaisanganisira manew designs ejewellary yataitengesa. Ma ring vaive vauya netype yese kubva kune
egold neediamond.Takabva tapihwa kunzi tirongedze zvinhu tichizviisa chaipo pakanaka
pazvainyatsoonekaa nemacustomer. Ini ndakabva ndatora hangu mabox aive nemaring kuti ndirongedze.
Ndiri busy kurongedza ndakabva ndawana rimwe diamond ring raive rakanaka ndokutibata hangu
ndokutovarairwa ndakariyeva. Mupfungwa dzangu ndaito imaginer ndiri pamuchato wanguwo ndichiri
pfekedzwa neaizovewo murume wangu. Ndakaribata ndakatoyeverwa pfungwa dziri kure chaiko.
Pandaka pepuka kubva mundangariro dzangu ndakabva ndasanganidzana maziso neumwe murume
aitoratidza kuti nguva yese yandainge ndiri mupfungwa dzangu ainge akatonditarisawo. Ndakanyara
zvisingaiti ndokutanga kurongedza rongedza zvinhu panzvimbo yazvo. Ndaitove busy nezvandaiita asi
ndakangozvi feeler kuti baba vaye vainge vachiri vakanditarisa. Pandakasimudza musoro ndakabva
ndatoona kuti paside pavo paive nemukadzi wechidiki munaku aitove busy kubata bata manecklace and
zvaitove pachena kuti aive mukadzi wavo. Ndakabhoikana chaizvo nemutarisiro wandainge ndakaitwa
nemurume iyeye,, ndakangoti ndivo varume vane moyo yakaremberera seyehuku ava. Akazofamba
nemukadzi uya vave kunobhadhara zvaainge atenga ndokubuda ndikati thank God nekuti matarisirwo
acho andaiitwa nemurume iyeye aitosvota. Aiita kunge aitoona Tv akanditarisa.

Mazuva akafamba chaizvo mari yangu yandaida kuti ana bamunin vatangise zvehuku yakabva yakwana.
Ndakabva ndatumira bamunin mari yekuti vatenge macage ekuzodzichengetera,, ndaida kuti zvese
zvitange zvave ready ndozovadeedza vouya kuzotora twuhuku twacho nechikafu. Ndainge ndaakuda
kuti vasiyane nezvekuita 6 to 6 vachirima garden vasingazorore. Ndaivimba kuti zvehuku izvozvo Mwari
vaitoita kuti zvibudirire kuti vawanewo cheuviri. Ndaidawo kuvatengere mombe yekutsiva yavainge
vatipa kuti tiite usavi parufu rwamama. Zvimwe zvacho zvinongodawo kutenda mufunge kana uchinge
wabatsirwa,, bamunini vangu vaisawana stereki,asi pashoma pavaiwana ipapo vaibatsira saka ndainzwa
mandiri kuti ndine chikwereti ndinofanira kuitira baba vangu ava zvakanaka ndichiri mupenyu. Inga King
David wani wemubible akanzwa maari ega kuti ndinofanira kuitira mhuri yaJonathan zvakanaka even
though baba vaJonathan vacho vainge vakavenga David up to the extent yekuti vaitoda kuti afe, asi
nekuda kwecovernent yaainge akaita naJonathan akanzwa maari kuti ndinofanira kuitira mhuri
yekwaSauro zvakanaka. Ndozvimwechete nezvandaifunga... ndainge ndakaita chibvumirano
nepfungwa dzangu kuti i must do something for my parents and ndini ndainge ndatosara saka
ndaitofanira kuvaitirawo madanha kuti vasa kungurire life yekuma next door.

Melody ndainge ndakato kanganwa nezvake, ko handiti aisave nebasa neni here saka hapana
chandainyengerera. Ndaitofunga kuti ndaifanirira kuendesa Tadisa kupreschool kutanga term
yaizotevera kana anyatsosvitsa 4years nekuti sisi vacho vainge vonetsa kuti ndiri kuda kuenda kuchikoro.
Charity akandiudza zvikanzi "Tale pamba pano you are free kugara kusvika paunoda don't worry,
usafunge hako zvakawanda ndinotodawo kugara nevanhu zvekuti pamwe dai Melo asiri benzi
tichitogara naye. Ndakaona kuti kune dzimwe shamwari dzine rudo muhupenyu. Handaizombofa
ndakawana imwe shamwari yakaita saCharity,, aive munhu aida vamwe sekuda kwaanozvitaita kwete
kuita friend inenge iri selfish sana Melo, anenge achingofunga kuti as long ari kufara chete iye hapana
waanofungawo mulife yake.Andrew kubva pekurohwa haana kuzombodzoka futi kwandiri. Ndakaziva
kuti ainge apihwa size tsvene chaiyo plus dzimwe dzaive nyadzi....
Rimwe zuva ndaitove pamba naCharity takazorora sewikend. Tigere kudaro mai Panashe vakabva vafona
ndokudaira hangu,, ko ndaive ndovaziva ka kuti kana vachifona vanenge vaine dotcom. Ndakabva
ndatovadaira ndikati "kwakanaka here muunhu waMwari zvikanzi"muri seiko mai Tadi,, Melo akatizwa
naAndrew nezuro apo Andrew wacho akatorongedza twuhembe twake twese ndokurova pasi asina
kubhadhara rent, apo landlady vakaudza Melo kuti ndiri kuda mari yangu akavapindura kuti
"handigadzire mari ini" izvezvi zvinhu zvese zvakasiiwa naAndrew zviri kutobuditswa panze iye Melo
wacho agere panze nemwana wake kutaura kuno apo anyora chiposter kugate kuti "property for sale
ndofunga ari kuda kuzvitengesa hameno kuti ari kuda kuendepi" Ndakangoti hamenoo,regai atengese,ko
ini ndaisambove nebasa nemudziyo yacho nyangwe hazvo imwe midziyo yacho ndainge ndakaitenga
nemari dzangu dzemasociety ataitamba nevakadzi vekuchurch,, asi kwaaizoenda apedza kuzvitengesa
ndokwandaishaya plus Andrew aigona kuzouya achida zvinhu zvake vakajambisana futi kudarika
zvavakaitana pa Tv.Ndakangoti hamenoo ikoko......

CHAPTER 36

Kunamata kunodiwa mufunge,,,twumwe twumuyedzo twandaisangana natwo ndainyatsoona kuti apa


ndiSatan andinyangira apa. Vanhu vaida kungondi shungurudza zvimwe zvekuti ndaitoshaya kuti asi chii
chinodai. Kupora pora zvangu ndainge ndakapora pora handirambe,, kana zviri zvenoise izvi kana
kukandidzirana mashoko akaipa nemunhu zvaitondiremera. Ndaitoona kuti vanhu vaitora advantage
yekunyarara kwangu ikoko kundiita zvavanoda.Ndainge ndaakutoitwa kunge muti wepadhibha wekuti
nyangwe netwu mhuru twesewo twukavaviwa nezvishambwe twunouya kuzozvikwenyerawo
ipapo.Musikana waKelvin uyu ndakatoshaya kuti ko hunhu werudzii hwaainge andiitira. Shuwa mazuva
atave kurarama ano,munhu unoita kurwira mukomana sekunonzi ndiye gotwe renyika.Dai pasina
Charity zveshuwa pamwe aidai akandiita zvinogara zvakadaro kwete nekuti ndakapusa aiwa,,asi
zvekurova izvi kana kupopota zvaisave mandiri. Ndakatanga kuona kuti iyi yaivewo muyedzo yaida
kundishayisa mufaro,, Ndakatanga kunamata chaizvo zvakasimba nekuti chandaiziva ndechekuti Satan
murevi wenhema. Ndainge ndisisadi hupenyu hwekungogara misodzi iri pamatama vanhu vachindijairira.
Hanzvadzi yaKelvin ainge anditukirirawo kuti uri chembere asi aikanganwa kuti iye ainge ave kutoda
kupinda mu 28 years asati aroorwa wotoshaya kuti saka munhu ari kutozviita kasikana nhai.Mwari
havasi vemunhu 1 mufunge,,, vaya vaunoseka kana kushora ndivo vanozosimudzwa naMwari zvekuti
munotadza kuzvinzwisisa. Andrew aifunga kuti ndichangoramba ndichirarama hupenyu hwehwaku
mukwaku asi Mwari vainge vaita kuda kwavo, ndikangowanawo basa. Kumantainance nyangwe dai
ndaida kuenda ndaienda asi ndaida kusa depender nemari yake. Mwari ndivo vanochengeta munhu kani
imi,,, ndaingorarama nenyasha ini pasina kana sendi rake randaidya. Tadisa aisamboshuva yoghurt kana
chii zvacho nekuti kamari kandaiwana ikako ndai maker shuwa kuti mwana wangu awana chese
chaanoda. Ndaisada kuti mwana wangu ararame kalife katairarama kare kekuti zvikanyatso omesesa
waigona kupfekedzwa school shoe uchienda kuchurch. Ndozvandairamba izvozvo,, as long ndiri
mupenyu aifanira kuratidzikawo kuti mwana ana mai vapenyu.

Melody zvaainge atizwa naAndrew ndainyatsoziva kuti life yaizomuomera kusvika pekupedzisira. Izvo
zvinhu zvaaitengesa ndainyatsoziva kuti mari yacho yaingo pedzwa pasina kana mazuva. Mwana wake
ndiye wandaitonzwira tsitsi zvangu kuti airaramiswa hupenyu hwenhamo mwana mucheche akadaro.
Shuwa mwana asina kana 3 months ainge akutopfekedzwa zvidende instead yema napkin apo shinda
dziri nganganga kubva kumusoro kusvika kutsoka. Dai Melo wacho aive munhu aigona kuzvityorawo
semunhu,, ndaigona kusungisa Andrew asi ndakatoona kuti munhu wacho ndiye benzi,aisatombo funga
zvake saka aifanira kusuffer. Mai Panashe vakazondifonera rimwe zuva zvikanzi "Melo akatengesa
zvinhu zvese hameno kuti ari kugarepi nemwana wake nekuti Landlady vakamudzinga... . vaisadzinga
zvavo munhu ane rough kudaro vainyengererei. Ndakaziva hangu kuti kalife kainge kachiri kumufayira
sezvo aidya mari yaainge atengesa zvinhu, nekuti imwe midziyo yangu yandainge ndakasiya yainge uchiri
munyowani . Kana iri stove ndainge ndakangoishandisa two months kubva ndaitenga ndichibva
ndasiyana nababa Tadisa. Melo aisatombove nematyira nezvinhu zvisiri zvake,, chake aingoda kutetena
amount chete, manje yaizongopera pasina mazuva. Ndakangoti handizvitsvage ini Mwari ndivo vanoziva.
Zvinhu hazvimbodi kutsiva,, zvogoda kusiirwa Mwari ndivo vanoziva.

Bamunini vakazondifonera vachiti vainge vakapedza kugadzirisa macage ekuchengetera huku ndichibva
ndavati vauye kuzotora twuhuku twacho nechikafu kuti vatange kuchengeta. Vakafara chaizvo
pandakavaudza zvikanzi mwanangu Mwari vakuitire zvakanaka kwete zvebenzi iri Melo kuuya
kuzobvutira muzukuru wangu nyama pachristmas. Ndakaseka hangu shuwa pafoni ipapo nekuti zvainge
zvaitwa naMelo izvi ndakatoshaya kuziva kuti inhafu here kana kuti kwaive kusuwa nyama. Vakazonditi
vaizouya kuHarare kuzotora tichibva taonekana,, ndipo paive neshungu dzangu kuti vawanewo chekuita
vari paruzevha kuti vasazoshayewo mari yeshuga kana yechigayo.Vakazouya iri wikend
ndokuvaperekedza kunotenga twuhuku twacho nechikafu naCharity tichibva tazonovasiya kumakombi.
Ndainyatsoona kuti baba vangu vaifara chokwadi.. ndozvazvinoda mufunge kwete kuti mubereki anoita
kushuva kunwa tea chaiyo sevasina vana muriko kumadhorobha musingatumire kana chii zvacho,,
muchiita basa rekuita makwikwi ekurukisa ana mai mufundisi vekudzi church dzenyu ,, kutoita kubuda
shavi nekupa mafundisi uchikanganwa vacho vakakubereka. Imika,, iyeye ari kukuchengeta nyagwe asiri
iye akakubereka muitirewo zvakanaka pamwe chete nekumu respecter uchaona kuti Mwari vanoramba
vakakugadzika pachigaro chenyasha!!
Mukomana waCharity akazoti aida kuroora muna August gore iroro. Ndakafarawo kuti sahwira wangu
ainge ave kuzoroorwawo zvinova zvinhu zvinofadzawo mufunge. Nerimwe divi ndaisurukirwa nekuti
ndokwaizove kuparadzana kwedu neshamwari yangu iyi yandaida kudai. Charity aive munhu ane moyo
wakanaka zvekuti ndaigaro namata kuti Mwari ngavazadzise zvishuviro zvemoyo wake. Mufamily
maainoroorwa maive nevanhu vaimuda chose,,saka ndaisanyanya kumutyira hangu.Ndaitoshaya kuti
Melo aindituka tiri kumusha kuti ukuvhaira nekabasa kawakatsvagirwa nechishamwari chako
chisingaroorwe ichi, ainge anzwa nani kuti haarorwe. Zvinoita vanhu mufunge... aitodada kuti
chishamwari chako chisingaroorwe sekunonzi iye ainge akabvisirwa mari naAndrew wake. Chaaisaziva
Melo ndechekuti zvinhu zvose zvongoda kutungamidza Mwari pamberi kwete zvake zvaaita
zvekutungamidza dzungu. Kuroorwa munhu unongoroorwa kana nguva yako yasvika kwete zvekuti
vanhu mukanzwa kuti musikana uyu ane 25 years mototanga kumuti ane munyama uyu haarorwe. Ivo
vacho vanomhanyirira dzimba vari vadiki ndivo vanogara vakamarana mudzimba umu nevarume
zvekuti instead yekuti pavewo nema mariage blessings panotoita guchu rema marriage blisters, vanhu
vachingogara vachijambisana nekuti vanenge vasati vamature,,, saka dzikamai

Rimwe zuva ndaitove kubasa zvangu tichitaura nyaya takadekera nevasikana vandaitamba navo,, ko
maboss aisavepo zve vari kumeeting saka taitotaura nyaya tichiseka hedu.Tiri pakati, mushop makabva
mapinda murume wekumbondiyeva ndakabata ring mazuva mashoma ainge apfuuura,, ndokubva
ananga pandaive chaipo. Ndakasvotwa chaizvo nekuti pavanhu vese vaive mushop akabva angonanga
pandiri. Ainge ari handsome hake zvekuti zvaisada kubvunza, kana mupfekero wake chaiwo waitoratidza
kuti munhu ane twumari twake. Ndakangosvotwa chete nekuuya kwaakaita pandiri apo akabva
asvikonditi "hie" ndakabva ndangoti muri kudeiko zvikanzi "iiih ungabva wandidaro?" ndokubva
ndatarisa hangu kuside zvikanzi "I 'm Henry and u?" Nxii ndakasvotwa chaizvo nemutauriro waiita
murume uyu apo ndainge ndisina kumbomubvunza futi zita rake ainge angotanga kutaura ega.
Chaitonyanyo kundibhowa ndechekuti ndainge ndakamuona aine mukadzi zuva raainge akambotanga
kuuya. Ndakangoti ndovarume vasingagute madress kunge ana Andrew ava. Pane kuti ndipindure
zvavainge vabvunza ndakabva ndavati "taurai zvamuri kuda imi, kwete kuswero ndibvunza zita handidi
zvekuzo tukwa nemukadzi wenyu andiona ndiinemi"Akabva atanga kuseka akanditarisa zvekuti
ndakashaya kuti saka chaisekesa ipapa chaive chii,, zvikanzi "ukutaura mukadzi upi?" achitoratidza
kushamisika. Ndakabhoikana nazvo nekuti aitonyepedzera kudzungaira,, ndainge ndaakuda kutomutuka.
Ndisati ndapindura ndakabva ndanzwa kavoice kechikadzi kaibuda nechekumashure zvikanzi "ko babe
wangu, wakatomira hako ipapo nemusikana iyeye ini ndiri busy kunetsekana kuti ndotenga ring yerudzii
munomu inonyatsoita pamuchato wedu." Pandakatarisa munhu aitaura uyu ndakabva ndaona ari same
woman wekumbouya futi aina blaz vekuzviti Henry ava. Ndaifunga kuti bambo vachanyara asi
akangosmiler zvikanzi "gulez nyaya yangu yekufamba nemi ndichikubatsirai kutsvaga zvinhu zvenyu
zvemuchato, honai manje musikana uyu ange achitondituka kuti ndine mukadzi" Mukadzi uye akabva
aseka akanditarisa zvikanzi "Aagh ndibamunin vangu ava zvenyu imi, atori mukomana uyu". Ndainge
ndongonyara zvino zvikanzi nemukadzi uye "asi mandiwanira mainin here nhai bamunini Henry
nditonoudza mukoma wenyu kuti tawanirwa mukadzi" akadaro mukadzi uye atori busy kutarisa tarisa
paive nemaring. Ndainge ndave kunyara zvino nezvandainge ndambotaura zvikanzi nemukomana uye
"ndigulez vangu ava musikana webrother yangu vanondikumbira kuti ndiva drive nemota sezvo vari
kutsvaga zvinhu zvemuchato wavo ndosaka ndaive navo musi uya. Ndakangoti ok ndokunyarara hangu
zvikanzi saka unonzani ndikati "mai Tadisa" ndokutobva paaive ndichitofamba. Handina kuzoona kuti
akabuda nguvai nekuti ndakaona kuti ndikaramba ndakamira apa ndaizobvunzurudzwa twumubvunzo
hobho hobho.

Pandakachaisa ndakabva ndanomira panzvimbo yangu yemazuva ese yandaimirira Charity kuti auye
kuzondi tora. Ndichiri ndakamira kudaro pamberi pangu pakabva pamira mota yerudzi rwe Toyota Hilux.
Ndakangotiwo hamenoo,, ko zvemutown ungazviteedzere here?" Ndakabva ndatotarisa kuside hangu
ndichitarisa kuti Charity haasati ave kuuya here. Ndakabva ndaona mukomana uye wekumbouya
masikati aina gulez vake achibudamo zvikanzi "hesi mai Tadisa" ndokubva ndati "ndiri bhoo
ndokutonyarara. Pasinawo time Charity akabva asvika. Paakaona Henry uye akabva ascreamer
achimhanyira Henry uye zvikanzi "hiii Henry ndiwe?" Iye achibva atiwo "ko uri kurarama Charity"
ndakatoshaya kuti ko vaizivirana kupi vanhu ava. Ndakangotarisa hangu ndiri zii zvikanzi naCharity "ko
wakadzoka riinhi nhaiwe iiih long time wena" achibva apindura zvikanzi ndakadzoka last week, brother
yangu uya anonzi Hillary ari kuchata next month nemusikana wake saka ndakangoona kuti
handingamborege kunoona muchato wemwana wamai vangu." Charity akabva auya naye pandaive
zvikanzi "Talent uyu anonzi Henry Moyo, ifriend yangu takadzidza tese kuuniversity first semester
tichiita tese Busiiness management achibva azosiya dady vake vaakumuendesa ku U.K kwaakanotanga
kuita Chemical Engineering" Ndakangoti hoo nice to meet you��" achibva atambanudzawo ruoko rwake
achindimhoresa. Charity akabva atanga kutaura futi zvikanzi "Uyu ibest friend yangu anonzi
Talent"Henry uye akabva atanga kuseka zvikanzi inga une shamwari inonyepa Charity,, pandambo pinda
mushop menyu umo masikati ndamubvunza zita akanyepa kuti ndonzi mai Tadisa". Charity akabva
aseka hake achichinja nyaya zvikanzi "ende wange warova Henry ko kusatiudzawo kuti wakauya",
zvikanzi " ndakarasa number ufunge pandaimbopinda mushop mako ndichibatsira gulez yangu kutsvaga
jewellary yavo ndaimbokutarisa ndichikushaya".. akabva amuudza kuti ainge akachinja kwekushandira.
Vainyatsoratidza kufara kuratidza kuti vaive mafriends zveshuwa kusvika Charity azoti " Ko
chinditsanangurira ka Henry kuti wange uchitsvagei pano pane friend yangu?" Akangoseka seka zvikanzi
ndandichida kumuhoresa hangu" Charity akangonditarisa neziso ndokubva asmiler ndakatoshaya kuti
saka chii chaimunakidza manje ipapa.Ndakavasiya vachizuwa zvekumabasa ndokunosanogara mumota
hangu ndichimirira kuti Charity apedze kukurukura nasashwira wake uyu.

Ndiri mumota zvangu ndakagara kudaro ndakabva ndafonerwa nenew number ndokudaira. Ndichingoti
haloo ndakabva ndaziva voice zvikanzi " wakandirovesa ka ukufunga kuti wakagwara stereki manje
ndichakubatai mese nekahwiza kekumba kwenyu kakatengesa property yangu kakatiza nemwana wangu
manje pandinokabata ndichakabvisa bori rese kane dzungu stereki hakandizive mushe and kana uri sewe
ndichakubata hangu nenyaya yekundirovesa kwawakaita haundinetse zvekuti uchaona kuti Jeso idombo.
Ndichanyatsokutsika heavy zvekuti uchadeedzera mitupo yese yezvikomba zvako ukaipedza".. Aive
Andrew zvake airutsa mashoko, kunge munhu akagarira tsono. Ndakaziva kuti number akadzipihwa
namai Panashe, ndakasvotwa mufunge,, hameno kuti sei vaive vakapaparika kudaro zvekusvika pakupa
Andrew number dzangu... ndakabva ndatovamaka nekuti Andrew paainge ave nenumber yangu
aitozopota achifona achitaura zvaanoda futi. Ndakabva ndango cutter phone yangu ndokunyarara
zvangu ndichidzeya mashoko ake kuti saka aindirongerei manje. Ndaige ndaakutofunga zvekunomu
mhan'arira ini nekuti ainge atove a threat mulife yangu.

Charity akazouya mumota apedza kutaura na Henry ndokutanga kudriver takananga kumba.Road yese
aitove busy kunditaurira kuti Henry akazodai, hee he is a good person, akanyarara kudii ko weee but
chaaisatoziva ndechekuti pfungwa dzangu ndaitofunga nezvaAndrew kuti ndodii naye nekuti ainge ave
kutoda kuita satani mulife yangu. Akazozviona Charity kuti pfungwa dzangu dzaive kure zvikanzi "chiiko
chiri kunetsa nhai mai tombi kunyarara kudaro?" Ndakabva ndatanga kumutsanangurira......

CHAPTER 37

Pandaka muudzawo Charity akati ndaifanira kuita zve peace order chete,ndozvaitoita kuti Andrew
asarambe achindinetsa. Iko kutozonditukirawo nyaya dzaMelo sendaimu batsira kutengesa zvinhu
zvacho,,, ndopanda kaona kuti Andrew aitove nekatsikirira neni. Sezvo mangwana acho yaive sataday
ndakanyatso enda zvangu naCharity paMarimba Police Station ndokunotaura nyaya yangu sezvazviri.
Ndakavapa madetails ekubasa kwaAndrew ese kuti vasazonetsekana kumutsvaga zvikanzi vanhu vakadai
ndovatinoda manje havambotinetsa.Ndakatoona kuti ndikasadaro ndaigona kuzongonyangirwa
naAndrew akandirova manje,, apa ndainyatsoziva kuti nemutyiro waanoita kurohwa aisamboswedera
mudhuze. Aifanira kupedzerana naMelo wake kwete kuda kupedzera shungu pandiri.

Mazuva akafamba chaizvo bamunin vakafona vachiti huku dzaikura chaizvo kumusha kwavaive.
Ndakavavimbisa kuti padzaizosvika palevel yekutengeswa ndaizovapa imwe mari yekutenga twumwe
twuhuku kuti vachengete vachisanotengesa hombe.Vakafara chaizvo zvikanzi "wakaita hako mwanangu
izvezvi ndaakutorara ndakasungirira Bingo naTiger padhuze nezumbu rehuku nekuti marimwe zuro
takaona zitsoka remunhu,ndofunga aida kuba". Ndakatoona kuti vanhu havana tsitsi zveshuwa,, kuda
kubirawo bamunini vangu huku dzavo dzavaitochengetawo kuti vawane kurarama. Manje imbwa
dzavaive nadzo ndidzo dzairuma manje dzaisaita zvekutamba,, Melo akamhanya akabereka mwana
achidzitiza nekuti dai dzakamubata shuwa dzaimubvarura.Ndakazovapa phone vakataura vese maTadisa
ndokuzocutter mari yapera.
Andrew akazondisendera message rimwe zuva achindituka zvikanzi " uri mbwa Talent wakaenda
kunondi mhan'arira kumapurisa inini baba vemwana wako shuwa?" Izvozvi pamwe twumapurisa
itwotwo unotodanana natwo nxii ndaisaziva kuti sisi nemunin'ina muri pfambi mese
kudaro."Ndakatoona hangu kuti kwaive kutaura kwekurwadziwa. This time ndakatoona kuti
kumunyararira kumujaidza ndokunyatso munyorerawo massage ndikati "Mwari ngavakunzwire tsitsi
Andrew nekuti wakatogarwa naLucifer chaiye unotodawo deliverance kuti zvinhu zvikuitire " Haana
kuzopindura ndikaziva kuti mesage delivered,, zvainge zvabata bata. Aida kuonererwa chaizvo kunge
aiowner praz remashoko asingatozivewo kuti kana neniwo nditoriwo neka plot chaiko kemashoko.Kubva
ipapo haana kuzombondi fonera kana kusender twuma message twake.

Melody handina kumbonzwa nezvake asi ndaiziva hangu kuti aimbodya mari yaainge atengesa zvinhu.
Uyo ndaisave nebasa naye hangu nekuti ndaizviziva kuti aizonditsvaga chete rimwe remazuva asi
aizoona kuti life haisi nyore kudaro.Kana kwaigarwa ndaitoshaya kuti ndekupi ikoko,, nekuti kuhama
dzese dzainge dzakanzwa nyaya yake hapana aimuda.Ndaitoona hangu kuti aigona kuzopedzisira akuita
chipfambi chete nekuti Melody chaaingoda imari chete asi AIDS yaizongomunama kuseri nekuseri.
Ndakangotiwo hamenoo kwazviri ikoko regai vambodya nyika rutivi. Ndopaunoona vanhu vakadaro
vaakutsvaga Mwari vave varwere wotoshaya kuti saka pawaive mutano waisaziva kuti kuna Mwari here.
Vanobhowa mufunge vanhu ivava vakaita saana Melo,, ndovekuti kana ave muchurch anenge
achinamata achichururuka musodzi, imi motofunga kuti pada iholy spirit apo munhu anenge akapfeka
hembe refu, matsiga ndikuroore zvekuti mabrother munototi tavawana chaivo musingazivi kuti kupfeka
zvirefu, kuvhara matatoo nemavanga avairwira zvikomba kumabhawa. Namatai ana mukoma
mukumbire Mwari kuti vakupei maziso ekuona musati mawira.......

Kuchurch ndaienda kwedu ku AFM naCharity wangu. Kana Charity akusara kuyouth mamwe mazuva,,,
ndaibva ndanosanogara mumota naTadisa wangu takamirira Charity kuti apedze... ko tainge tisisakwane
pane vamwe ka, tainge totokwana kuma single mothers. Rimwe zuva ndaitove mumota naTadisa wangu
takamirira Charity aive kuyouth ndokubva ndaona mai mufundisi vepachurch pandai pindira vachiuya
pamota pedu. Ndakabva ndaburuka ndokuvakwazisa zvine chiremerera semurandakadzi waMwari
zvikanzi "ndinofara mwanangu, ndangoti ndiuye kuzonzwisisa kuti sei uchigara wega mumota vamwe
vari kuyouth nguva nenguva ndokuona hangu ndiri muoffice mangu uchitamba nemwana uyu ndewani"
Ndisati ndapindura Tadisa kakabva kapindura zvikanzi "uant asi hamuzvizive kuti ndimama vangu ava"
kakadaro hako kasi ngatombogaye. Ivo vakabva vati "unonzani" zvikanzi ndonzi Tadisa ini ndinogara
namama vangu namama Charity vari muchuch umo asi hamuvazive?" kana mai mufundisi vacho
vakapedzisira vaseka nekungwarisa kwaTadisa uku kana neni zvakatondishamisawo kuti mwana wangu
aitaurisa kunge karadio kudaro,, akabva andifungisa chihera, ndovamwe vaingorudunuka kutaura
dzavasina kubvunzwa. Akazobvunzwa manje zvikanzi nhai Tadisa saka dady vari kupi zvaungori
namama?" Ndakaona mwana wangu kungwara kwese kwati hwaa ndokunditarisa kumeso zvikanzi
"mama imi, dady ndiani?" Ndakanzwa kuda kuchema shuwa kuti mwana wangu aisatoziva kuti daday
zvinorevei. Mai mufundisi vakazviona kuti paive nenyaya ndokuramba vakanditarisa kuface chaiko
zvikanzi "ndiudze mwanangu ,chii chakaitika" Ndainge ndonzwa kuda kuchema chaiko ndokutanga
kutsana ngurira mai mufundisi zvese zvekatika kusvika ndisiyane nababa Tadisa. Vakangotura befu
zvikanzi "saka nhai mwanangu wakavaregerera here vanhu vaviri ava nekuti tikatarisa bhaibheri kuna
Mathew 18 paverse 22 tinoona Peter achibvunza Jesu kuti tinofanira kuregerera kangani, Jesu
vakamupindura kuti tinofanira kuregerera kasingagume,saka unofanira kuvaregerera mwanangu, kutsiva
ndekwaMwari plus dzimwe nguva anenge ari madhimoni chaiwo anenge achishandisa vanhu". Vaitaura
havo chokwadi, ndakaona kuti ndaifanira kunyatso regerera Melo naAndrew pane zvese zvavainge
vakandiitira, nyangwe zvangu ndaiziva kuti kuzvikanganwa kwaisave nyore.Ndakavaudza kuti ndainge
ndavakanganwira hangu zvavainge vandiitira zvikanzi "ndinotenda Mwari kana wadaro, nekuti
kuregerera kune simba", Vakazonditi ndaisafanira kugara mumota vamwe vari kuyouth, zvainge
zvakangonakawo kunogara nevamwe ikoko. Ndakangobvumira zvangu asi zvavaitaura zvaisave nyore
kunogara nevana veyouth nekamwana kangu,, ndaitozoita zizi muhuku zve. Vakandisimbisa zvikanzi "its
not yet over mwanangu, Mwari vane chinangwa nehupenyu hweumwe neumwe saka usanyanyo funga
nezvazvo stereki kana nguva yasvika zvinozviita zvega chingoti Mwari kuda kwenyu ngakuitwe"
Ndakanzwa kurerukirwa chaiko pandakapedza kutaura namama mai mufundisi. Vakabva vandinamatira
takabatana maoko tiri three na Tadisa. Ndakanyatsonzwa kuti ndarerukirwa mumoyo mangu nekuti
ndainge ndasimbiswa kuti naJeso hapana chinoramba,, ichokwadiwo hapana chinoramba naJesu mhani
imi,,,

Charity akazobuda mavaiita youth service ndokusimudza mota takananga kumba. Road yese
ndaingobvunzwa naTadisa kuti "nhai mama saka dady vangu vari kupi ndiri kuda kuvaona" Ndakangoti
mai mufundisi vandimutsirawo zvirere ava. Charity akazopedza nyaya yacho nekumutengera ice cream
ndokunyarara kwaakaita nekuti yadady yainge yatangwa iyi taisai kwanisa. Baba vacho dai vaive vasvinu
zvaive nani zvino Andrew wacho aitove rombe zvake aingoteedzana nemadress, chainge changosara
ndechekuti ahwine ticket rake rakanyorwa kunzi HIV positive.Ko ndowagara uri mubairo zve......

Henry kubva musi wandakamuona ndakamirira Charity handina kuzomuona . Akazofonera Charity
zvikanzi "ndiri busy nekugadzirira zvemuchato ndini ndinenge ndichingotumwa semudiki saka ndiri busy
mazuvano ndingadai ndambouya kuzokuonai naTale". Ndainge ndakateerera hangu achitaura naCharity.
Vakazongotaura zvishoma ndokucutter fon. Charity aingomurumbidza zvikanzi "Henry is good friend,
ndinoshuvira kuti uwane mukomana akadaro. Ndakangomuti watanga, achibva aseka zvake. Ko
ndaisambove netarisiro yekuwana mukoma ka ndiani anoda munhu ane mwana,kurima pakamborimwa
kare. Vamwe vanobva vati kana uri mvana unotowana akafirwa kana akarambana nemukadzi wake.
Ndaingoti hamenooo ko ndaigodii, ndozvaivepo, ndaigorasa mwana wangu here nekuda kuzviita
musikana.....
Bamunini vakazofona vachiti vainge vaakutengesa huku vachiti dzaitengwa chaizvo ndikati thank God.
Ndakazovatumira mari kuti vatsvage dzimwe vachisanotengesa hombe. April akazosvika ndokubva
Charity auya nema invitation cards emuchato zvikanzi auya naHenry kubasa ati rimwe nderako.
Ndakangoti hoo,,tinozozviona zuva racho rasvika nekuti muchato wacho waiitwa kupera kwaApril. Zuva
remuchato wacho rakazosvika ndokuenda naCharity ku Mt Pleasent kwawaiitirwa kwacho sezvo tainge
takokwawo. Haa zvainge zvakarongeka hazvo sevanhu vane mari, waiitirwa pachurch pavo paZAOGA,,
haa painge pakashongedzwa kani imi, Ndaingotiwo "ndichatozo chatawo iyeni?" kuchata
kunongodiwawo zvako muhupenyu,, zvinongo shuvirwawo nemunhu wese nyange hazvo zvichizokona.
Ndainge ndakagara hangu naCharity wangu ndokuona Henry uye achiuya pataive, ndakatombomushaya
nekuchena kwaaive akaita ndakatomboti asi angere Grabruyeri vadzika kubva kudenga nekuti sutu yake
yaipenya penya saka ndakafunga kuti zvimwe pada tatsikwa nengirozi Gabriel yaMwari. Akabva
asvikotimhoresa zvikanzi "hesi kani Charity naTalent"takamumhoresa zvikanzi waita basa Charity
wandivigira Talent uyu wekumbondinyepera kuti anonzi mai Tadisa" ndakatoona kuti nyaya yacho
yaitozonetsa, ndokutora phone yangu ndokuenda kugallery kwaive nema pictures aTadisa
ndokumutambidza. Akatanga kumaona achinyatsotarisisa plus zvaisanetsa kumboona nekuti Tadisa
ainge akafanana neni zvisingaiti. Ndakaona achismiler akabata fon yangu zvikanzi saka " ari kupi mwana
wedu, wamusiirei" Charity akanditarisa ndokutanga kuseka hake. Ndakangoti kablaz kanopenga aka
ndokuramba ndiri zii zvangu sendisina kuzvinzwa ndaakutovarairwa nekutarisa vaperekedzi vaitamba
kumberi. Ndakatozovhundukandanzwa ruoko rwangu kubatwa zvikanzi uri kufungei nhai Talent?"
Ndakaona ari Henry ainge akachonjomara akandibata ruoko rwangu, apo ainge akaita kundiyeva
mumaziso chaimo. Ehe ndakarohwa nehana pandakatarisana naye, handidi kunyepa. Uyu ainge akanaka
zvaive pachena zvekuti kana Kelvin, aisara pasi nekure apo aiita kurova kanyemwerero kaive nechekure
kure. Ndakatarisa Charity ndokuona achingosekerera akanditarisa, zvikanzi asi haudaire nhai Talent,
Henry ari kukubvunza kuti uri kufungei" Ko ndainge ndavarairwa ka neface yaivaraidza kutarisa,,
ndakatozoita zvekuvhundukira Charity achibva atarisa kuside achvanza kundiseka kwaaida
kuita.Ndakabva ndangoti "hapana" ndokunyarara zvangu.Pakabva pasvika mumwe musikana zvikanzi
"mukoma Henry muri kudiwa namama hanzi huyai kuno" Mutauriro wacho wakaitwa nemusikana uye
airatidza kuti anenge aive house maid,ndokuzosimuka kwakaita Henry pandaive achisiya fon yangu
pamakumbo achienda kwaainge adeedzwa. Pandakasara Charity akasara akandiseka zvikanzi "Eh
madzimai, ko zvamange mastiker makatarisana naHenry,asi matokabira beat kanhi?" Akadaro achifa
nekuseka achisumuka pandaive nekuti aiziva kuti ndaigona kungomutswinya kana kumurova kambama,,
ndowaive mutambiro wedu iwoyo. Ndakangoti "haa kana, hapana hapana, ndeimwe iye iye... ko
ndainge ndoshaya zvekupindura ka apo Charity aiita kufa nekuseka zvikanzi "ndatomboti asi Talent
afreezer" ndakangoti zvaCharity so,, ndainge ndongonyara nyara kusvika azosiya kuseka atoona kuti
nyadzi dzainge dzondikunda.
Charity akazoudza Henry kuti taakuenda, nguva dzaenda, achibva ati maita basa mauya ndichazokuonai
maybe pakati peweek nekuti ndiri kudzokera ku U.K next week saka ndichauya kuzonyatso kuonekai bho
bho. Takabva tangoti ok zvikanzi "Talent unomhoresa mwana wedu" Ndakangosekerera ko ndaigotii iye
achibva angosekererawo ndokubva tapinda mumota naCharity, todzokera kwedu kuMarimba, ku gheto
kwenoise.

Rimwe zuva iri Thursday pari palunch ndakanzwa kuti painge paine munhu aindida panze. Zvevanhu
vanongouya uya ndainge ndisisazvitembe,saka ndakangoenda zvangu asi ndaisada.Ndaitoshaya kuti
ndiani futi ainge auya nekuti vamwe taive vemunyama ka waigona kungosviko rohwa panze ipapo.
Pandakabuda panze ndakatoona ari Henry uye ainge akatozembera pamota yake,this time aisave
neToyota aive neBenz apo machenero aainge akaita. Ndakasviko mumhoresa achibva aramba akabata
ruoko rwangu achinyemwerera. Ndakatozoita kuwaver ruoko rwangu pamberi paface yake ndatoona
kuti munhu pfungwa dzatove kure ndikati " hey uchiri pano here?" Akabva aita kuvhundukira zvikanzi
"yes, ndauya kuzokuudza kuti ndaakudzokera but handisi kunogara ikoko ndichadzoka,maybeafter 3
months nekuti dady vangu muviri yavo haisi kuita bhoo, saka havakwanise kuzomanager mabusiness avo
vega ndini ndinofanira kuvabatsira sezvo mukoma wangu aine akewo mabusiness haangazvikwanise"
Ndakangoti "howo", zvikanzi "yaah, apa ndiri kumbodzokera nekuti ndakasiya zvinhu zvangu plus ndine
mamachines adady andiri kufanira kuti asheepwe auye kuno kuZimbabwe saka zvoda ndiriko"
Ndakangoti "howo ufambe bhoo tokuona wadzoka" achibva ati horaiti rega ndimbonooneka Charity
kubasa kwake usare bhoo and pliz uchengete Tadisa wangu ndouya ndomuona ndadzoka."
Ndakangosekerera achibva andiregedza ruoko rwangu, Paainge ave kuvhura door remota akabva anditi
"hey ndange ndatokanganwa, musi wa22 May ibirthday rangu ndiri kusvitsa 29 years so please don't
forget to call me on that day ndiri kuda kuti uzondiimbira pafon" Ndakangoseka hangu achibva asmiler
ndokupinda mumota yake ave kuenda kwaCharity.

Pandainge ndave kudzokera mushop fon yangu yakabva yapinda message nenumber dzaAndrew
ndikaziva kuti maive memashoko aibhowa imomo. Yainge yakanzi " ende uri kumbozvichinjanisa
zvikomba ndakuona hangu pandapfuura nepabasa pako manje manje wakabatwa ruoko neumwe
mupfanha, manje uchatambiswa netwuvapfanha utwo unofunga kuti unoroorwa nani iyewe mvana
zvayo shame".Ndakangosiyana naye Andrew aitove mhepo yanyamavhuvhu....

CHAPTER 38
Kubva zvakaenda Henry aigara achindiphonera everyday zvekuti ndakapedzisira ndaakuti akasafona
ndaitonzwa kuti pane chashota nhasi. Aifona every morning achindibvunza kuti ndamuka sei,maskati
nemanheru zvaive zvimwechete. Rimwe zuva tapedza kutaura akanditi ipa Tadisa phone nditaure naye,
ndakabva ndamupa zvikanzi "hesi Tadisa uri bhoo here?" zvikanzi "ehe ndiri bhoo ndimi ani mukutaura
pafon pamama vangu?" Akabva amuti " ndini dady"... kuzomudaro ndakaona mwana wangu
nyemwerero yave kunzeve zvikanzi " huyai munditore muri kupi?" Ndakaona kuti mwana wangu
aishuvirawo kuita baba padhuze mufunge... dai aiziva kuti vaisambove nababa vake aisambofara kudai.
Ndizvo zvandaida kuti mwana wangu akure tiri pamwe chete naAndrew but zvainge zvaenda nepamwe.
Mwana aiita kushuva kuitawo daday ivo varipo zvavo vachimberereka nenyika, kuita dzvatsvatsva
muvakadzi, kuti nhasi ana Sirivia mangwana Rebbeca kuswera mangwana Jojina. Hungave hupenyu here
ihwohwo chokwadi. Kana iyo mari yaaishanda hapana chayaiburitsa nekuti yaingoperera mukutengera
vasikana twuma gifts.Vasikana vemazuvano ukaita zvekutamba unopera mari wakasvinura sedemba
achingodeedzera kuti nhasi ibirthday rangu, kuswera mangwana futi wakanganwa wonzi nhasi ibirthday
rangu uchingotengeswa midhori maruva nemacake. Akaona kuti wapera basa okusiya. Ndokahupenyu
kairaramwa naAndrew ikako,, kana mai vake ndofunga ainge asisatombotumire kana chii zvacho
achifadza vasikana vake. Kana ivo vasikana vacho unobva watoshaya kuti havaonewo here kuti blaz ava
havasi mukomana. Aagh imi namatai Mwari akupei meso ekuona mhani........

Mazuva akafamba ndichingoita zvekutaura naHenry paphone, Charity akazopedzisira abvunza kuti
"tiudzei ka kuti ndeip iri kutambika tigare taziva nekuti waakungogara wakanamirana nephone"
Ndakamuudza kuti paisava neiripo asi haana kugutsikana nazvo, ende for sure paisave neyaimbotambika
nekuti Henry wacho haana kana musi 1 waakambotaurawo kuti anondida kwaingove kutaura nyaya
zvotopera. Musi webirthday rake haana kumbomuka achifona ndakaziva kuti aida kuti ndimufonere
inini,, ndokubva ndafona zvikanzi "ndiimbire" Ndakangoimbawo zvandaigona zvikanzi "ndafara chaizvo
kwasara Tadisa mupe phone". Pandakangomupa phone Tadisa akabva atotanga kurudunuka kunge
Chihera zvikanzi "daday chidzokai munditore ndiri kuda kugara nemi ka inini, mama vanoramba
kundiratidza dady manje ndichavavhairira pamuchauya mundiigire masweets hobho".... asati
ambopindurwa naHenry wacho akabva atokanda phone yacho pabed ndokutonotamba panze.
Ndakatoona kuti mwana wangu hwaitove husiku hutatu zvahwo ende iyo yadady iyo ndainge ndaona
moto nayo. Ndaigaro bvunzwa kuti saka daday vari kudzoka riinhi ukamubvunza kuti dady vapi ivavo
zvonzi " vaye vaye vepaphone penyu" ko aizivei zvake mwana wangu, Andrew chaiye baba vake ainge
asisatombovaziva iyewo handifunge kuti aive achiri kufunga kuti ane mwana anonzi Tadisa. Ko
ndozvazvinoita ka kana uchimbotetena nyika rutivi, kana mai unogona kuvakanganwa nawo mafaro
aya,,,
Melody handina kumbonzwa nezvake hameno kuti mari yainge ichiripo here. Mai Panashe handina kuda
kuvabvunza zvangu asi ndaiziva kuti ndovaive nedotcom rese, plus vaisatana kuremerwa saka ndaiziva
hangu kuti any time is tea time, phone yaigona kungorira variivo havo. Ko tainge tadealer navo for a long
time zve, zvenyaya dzisiri dzavo ndozvavainzwira jinja.Kumusha ndaiphona ndichitaura navo vachiti
zvehuku zvaifamba chaizvo painge pasina kana problem.Ndakazotaura neumwe mukadzi aiwirirana
naCharity aive nepre school yake muMarimba imomo ndokutanga kumuendesa ikoko nekuti sisi vacho
vainge vonetsera nhau yekuchikoro saka ndakazongomuendesa. Havana zvavo kuramba kuti atangire
pakati, ko pane chinombonetsa here, munhu ukamupa mari hapana chaanoramba. Mother
ndovaizonomutora kuma 4 kwaikumuka ikoko. Zvainge zvasarira inini nekuti ndaida kunoita course
yangu ye IT but mari yacho ndoyairamba kubatana. Charity akambonditi ndokubatsira nemari asi
ndakarambisisa. Mafavours aainge andiitira ainge akawandisa ndainge ndisisadi kuramba ndichimupa
mutoro saka ndakangoti ndaizoita ndichisaver mari mbichani mbichani ndozoita hangu.

Rimwe zuva ndaitove kubasa hangu taitove busy kurongedza rongedza zvimwe zvinhu zvainge zvauya.
Ndakabva ndanzwa a familiar voice richiti "ko muri seiko mai Maria Musande vazere grasiya,"
ndakacheuka hangu but voice ndainge ndariziva,raive raMelody. Pandakatarisana naye ndakangoti
nechemumoyo hokoyo nenhamo, this time game raive rakachinja. Aive akapfeka skin jean amwe aye
aye enenge akaita seakabvaruka mumabvi umu nemuzvidya iri style, mumusoro mainge makarohwa
zuda mumaside, pakati pakarukwa twumabraids twushomanani, masun glasses ainge ari pfee mumaziso
iwo muromo wakamamwa lipstik yered zvaibva zvaita kuti aite kunge bhaibheri reshona mamwe aye aye
anenge akapendwa nered mumaside. Maoko ainge akanzi pfee imo muhomwe yechi skin jean chake
ichocho apo mugumbo mainge makarohwa zibhutsu rinenge njombo, ndakangoti nhasi hangu. Mwana
hameno kwaainge asiiwa.Handina kumbotaura naye zvangu akaramba akanditarisa zvikanzi "ndini
wacho Melo wawaifunga kuti anofa nenhamo manje kalife kari kutofaya, makauya kuchipatara
naCharity muchida kundiseka manje ndakapora, ndepapi pane vanga ?" ndinonzi Melo ini, tinorarama
zvakaoma kudaro kwete zvenyu izvo kuda ku.... ndakabva ndamubata twumabraids twake twaive pakati
pemusoro ndikamuti"buda muno ndisati ndakunyadzisa" ndokubva abuda ndokuenda. Mwana hameno
kuti ainge asiiwa kupi, asi ndakaona hangu kuti anenge aive akurarama kalife kechipfambi pfambi.
Ndakangosiyana nazvo hangu plus aitonhuwa doro zvake saka ndakangoti hamenooo,, ko zvaizoenda
nekupikowo ndozvainge zvasara. Kubva ipapo haana kuzombodzoka futi.

August akazosvika ndokugadzirira zvekuenda kumusha nekuti ndipo paifanira kuroorwa Charity. Henry
ainge akandiitiainge ave padhuze kudzoka saka ndakangomuti ndokuona ndabva kumusha.
Ndairwadziwa kuti pasina nguva ndaizoparadzana naCharity wangu ave kunogara nemurume wake but
on the other side ndaifara hangu kuti shamwari yangu ari kuroorwa, ndainyatsokuona kuti aifara
zveshuwa,ko zvinongofadzawo ka kuti munhu ari kuroorwa, kwete kuti munhu anomuka makuseni
asimo muroom make akaenda kunotizira, ko ukanorambwa.....

Vakuwasha vakauya vakabvisa mazakwatira emari, ko kumba kwaana Charles kwaive kwemari zve,
hpana chaitombovanetsa.Ndaivepo hangu ndichingomira mira ko tisu ka aive mabest friends acho,
taisafanira kushaika. Zvinhu zvakafamba bhoo zvikapera vakuwasha vakakumbira kuti mudzimai wedu
tiri kuda kumutora nemuchato. Haa zvaingofadzawo mufunge,ko chakanaka chakanakawo zve nhai.
Ainge akazvi chengeta Charity aidesever zvakanakawo muhupenyu kwete kuti vanhu munozoda
kumhanya mhanya maona kuti paita nhumbu apa mokasira kubvisa mari kuvhara mhosva. Imika, dzidzai
kumirira,chiiko chinotiza?". Vakuwasha vakazooneka vorova pasi kudzokera kuHarare ndokusara hedu
tiri paruzeva. Ndakatozoenda kwedu ndaneta nekudya nyama yainge yabikwa musi iwoyo, tairikita
mafizhongo zve, kuita kuiranga nyama yakarehwa naMelo. Zvainge zvasarira ini Talent, ko ndaisambove
netarisiro hangu ndaingoti hameno Mwari. Zvemuchato zvacho zvakanzi zvaizoitwa December saka
ndaitombodzokera kunogara naCharity wangu then ndozotanga kulodger pangu ndega kana aenda
kumurume wake.

Musi wakaroorwa Charity manheru acho ndakabva ndafonerwa namai Fadzi hanzvadzi yaAndrew.
Ndakatoshamisika kuti ko vaidei nekuti taisambove nenyaya tese navo plus ndainge ndakapedzisira
kutaura navo, musi wandakaona vachi shungurudzwa nemahwindi. Ndakangoti pamwe vari kuda
kundimhoresawo havo ndokudaira phone. Ndakabva ndavati "makadii ko tete kuri sei kumba nevana?"
ndakangovati tete nyangwe hangu ndaiziva kuti hutete nemuroora hwacho hwainge hwakapera kare
kare, ko ndaigovadeedza ndichiti chii?" Vakabva vadaira zvikanzi "ndiripo muroora wakasimba here uri
kupiko" Ndakangoti mai inoita zvekutamba neni iyi, ndakabva ndavati "ndiri kumusha kwakanaka here?"
Vakambonyarara kwechinguva, ndokuzotaura zvikanzi "ndine nyaya hombe newe muroora inotoda
tigere pasi tichikurukura" Ndakangoti "aiwa taurai henyu nyaya yenyu paphone ipapa ndinonzwa "
Ndakatoshaya kuti inyaya yei yaive namai Fadzie nekuti taisave nenyaya tese kubvira chigariro changu
naAndrew. Vakabva vati "Eh nyaya iripo ndeyekudai so, mai Tadisa, Andrew akatiunganidza isusu saana
sisi vake akati anobvuma kukanganisa kwese kwaakaita nezvese zvakashata zvaakataura pamusoro
pako,saka isusu saana tete tiri kungoti dai zvichibvira wa..." ndakabva ndavadimburira ipapo ndikati "
tete nyaya yenyu ndine hurombo chaizvo, nyangwe zvikanzi zuva rabuda regreen nyangwe zvikanzi
tasara tiri two munyika naAndrew wenyu uyo handife ndakadzokerana naye, panzwisisei ipapo ende
handisi kudzora moyo. Pasina nguva ndakanzwa Andrew uye aakutaura pahone paye ndofunga ainge
agere zvake achiteeerera nguva yese iyi. Akabva ati "please mai Tadisa ndiregererewo, handizive kuti
ndainge ndapindwa..." haana kuzopedza ndainge ndatocutter phone yangu, ndokuidzima ndokurara
zvangu. ZvaAndrew ndaisatomboda hangu kunzwa nezvazvo vaitondisemesa nechinyaya chavo.
Ndakazoudzawo bamunin nezvekuphona kwainge kwakaita hanzvadzi yaAndrew vakati "inga vanopenga
chaizvo kutobvuma kutumwa nerombe iroro kuti mudzokerane nezvese zvaakakuitira izvi. Kana Charity
pandakamuudzawo nezvazvo akaseka hake zvikanzi Andrew ngaasakushurire kudaro, akuzoona kunaka
kwako nhasi manje, aona kuti aneta nekuchinjanisa vakadzi?" Ndakatoona kuti iyi ndoyaitove muyedzo
chaiyo. Sezvo taive tiine off ye1 week takagara hedu paruzevha naCharity wangu zviro zvichifaya. Henry
aifona zuva nezuva. Akazondiudza kwasara 2 days kuti tidzokere kuHarare zvikanzi " ndavemo munyika
ndakatomirira iwewe kuno chidzoka please. Pandakamuudza kuti ndaizouya after 2 days akachema
chema chaizvo asi ndaisave nezvekuita, ndaifanira kumbogarawo pamusha ndichifara nevabereki. Susan
ainge akapasa chaizvo saka ndiye wandaitofunga hangu kuzogara naye gore raitevera aakuita form
four.Ndaida kuti anodzidzawo kuHarare,ndichinyatso kumuitisa maextra lessons ndaiziva kuti aizopasa
zvine mutsindo chaizvo,, ko ndiye ainge atove munin'ina wangu wepamoyo ainditeeerera ka, Melo ainge
ave gora renyika.

Ndainge ndasarirwa nezuva rimwe kuti tidzokere kuHarare... tainge takatogara hedu namainin
nabamunin tiri pasi pemumango,Tadisa ainge aenda kutsime naSusan uyuwo Josiah hameno kubhora
rechikweshe kwaainzi ainge aenda, ko maive muna August ka mombe dzaisairirwa dzaisafudzwa.
Takanzwa munhu airova gusvu nechekuseri kwekitchen tikatoshaya kuti ndiani futi iyeye. Bamunin
vakazodeedzera zvikanzi "eh svikai padhuze ndianiko?". Takabva taona mashura chaiwo. Aive Andrew
hake airova gusvu achibudikira nekuseri kwekitchen yamainini achiita kunzwisa tsitsi. Ndakangoti
nechemumoyo "bamunin sotai munhu uyu yamakasota Melo ndionerere drama hangu" Ndakabva
ndanyatsobata fon yangu ndokusanoenda kucamera kuti nditore vedio nekuti bamunin ndaitoziva kuti
vachatora action chete, vaisaita zvekutamba nemapenzi, dai akatanga abvunza Melo asati akwira bhazi
kuuya kwaRuocha. Hapana kana akamboda kumudaira takangoramba tiri zii zvedu tigere pasi
pemumango iye achingozvinetsa akachonjomara achirova gusvu. Ndakatoshamisika kuti ainge
atambisirei mari yake achikwira kombi kunditeera kwaRuocha kwedu uko achitadza kunotengera mabbe
ake manacklace.

Bingo naTiger dzainge dzirere ndofunga ndosaka dzisina kunzwa kusvika kwamukoma Andrew ava.
Ndakanzwa bamunin vaakuridza kamuridzo ndikaziva kuti Ryt chaakuda kutsva apo zvaitove worse
nekuti Andrew aisaziva kuti kamuridzo kaive kei, manje Melo ainge akakurira kumusha aitozviziva kuti
muridzo uyu ndewekudeedza imbwa. Akaramba hake ari mvumvuva achirova gusvu rake. Tiger naBingo
sembwa dzaiziva muridzo watenzi dzakamuka dziri museve,bamunin ndokuti sa-a bata, kana ini handina
kunzwisisa kuti Andrew wacho akasimuka nguvai kana zvecamera zvandaida kuita handina kumbozviita
munhu ainge arova pasi but Imbwa dziye dzakaramba dzakati tande, naye iye achiita kurova speed
senge inomhanywa pa100 meters kuchikoro iye, tsoka dzichiita sedzicharova gotsi. Takaoma mbabvu
nekuseka veduwee ndakaita kunzwa mabayo nekuseka ndichiona mumhanyiro waiita baba vemwana
wangu ava. Imbwa dzakaita kunge dzaive neshavi musi woyo hadzina kana kumusiya, takangoti hameno
ikoko. Aida kujairira vanhu chaizvo Andrew,hameno kuti aifunga kuti aitambirwa nani. Takazoona tym
tym Josiah aakuuya achiseka zvikanzi ndasangana natsano baba Tadisa kuroad inoenda kubus stop,
trouse ravo rakaita kunge skirt, rakabvaruka pakati pese ava vachiita kufemeruka ndikaziva kuti
mavatamba yamakatamba sisi Melo last year pachristmas." Takabvaruka nekuseka hedu, ndakangoti
zvaiwana ngwarati. Aisambopadzoka

achitaura marara ake iwayo.

Ndakaudzawo Charity akaseka hake,zvikanzi inga mune mbwa dzinoziva basa pamba penyu apo. " Idzo
dzaisaita zvekutamba nemunhu shuwa dzaikubvarura. Takazoonekana nevabereki ave mangwana acho
todzokera kwedu kuHarare. Road yese ndaingoti ndikafunga zvainge zvaitwa Andrew ndaibva ndapera
nekuseka. Tadisa akazopedzisira abvunza zvikanzi"nhai mama Charity ndiani ari kusekwa namama aida
kurumwa nembwa?" Charity akabva angoti "ndeumwe murume so" zvikanzi naTadisa "dai
makamurumisa kusvika afa" ndakangoti dai mwana wangu aiziva kuti ndidady vake aisadaro.
Takangoseka hedu naCharity ko taigodii.

Ndakazophonera Henry ndichimuudza kuti tainge tadzoka akafara zvisingaiti. Ndakatoshaya kuti ko
aifarei kudaro zvikanzi "ndouya ndokuona mangwana kubasa kwako palunch" ndakangobvumira
ndokubva tataura zvishoma, ndokucutter phone. Charity aingosekerera hake akatarisa zvikanzi "paita
zvabamunin ka apa" ndakangoseka hangu ndikati vapi manje zvikanzi "ivavo vauri kufungira ".
Ndakazoenda kubasa mangwana, pave palunch Henry achibva afona zvikanzi buda panze ndikuone I
cant wait to see you" ndichingobuda panze, ndakaona Kelvin achisvikawo nemota yake,ndikaziva kuti
ainge auya kuzondiona apo Henry ainge akamirawo akazembera Benz yake achingosmiler akanditarisa.
Ndisati ndambodii phone yangu yakabva yapinda massage nenew number ndokubva ndaivhura. Yainge
yakanzi "ndimi sisi vaMelody here,tapihwa number nevanonzi mai Panashe, tati tikuudzei kuti tisu tange
tichigara naMelo kuno kuKambuzuma, ari kurwara, haasi kugona kufamba anenge ane sick uyu huyai
mumuendese kuchipatara asati awora pliz." Aaagh ndakangoti ndozvimwewo izvi. Kelvin akabva
angonanga pandainge ndiri ndakangobata phone iye, ndakatarisa massage, apo ainge akandibata
mabendekete zvikanzi "whats wrong Talent,is everything ok?" Apo

Henry ainge akamira pamota yake achiona hake zvese..........


CHAPTER 39

Kelvin akaita kuramba akandibata mapendekete hake achibvunza kuti chii chainetsa?' ndakangoti
hapana Melo ndiye anzi arikurwara,saka ndinofanira kunomuona. Henry aive akamira hake akatarisa,but
nyemwerero paface painge pasisina. Ndakabva ndati kuna Kelvin "pane munhu akamira apo uyo ndiri
kuda kunomuonazvikanzi "upi?" ndikati "uyo mukomana ane bhachi reblue akamira apo",,, apo ndainge
ndaakunyara zvino, nekamubatirwo kandainge ndakaitwa naKelvin. Akabva angomutarisa zvikanzi "its ok
ndange ndangouya kuzokumhoresa hangu,ndange ndave netime ndisina kukuona" Akabva ati "ihama
yako here?" Aagh mwana aibvunzisisa uyu,ndakangoti ehe ihama zvikanzi "fine rega ndipfuure
ndichimumhoresawo ndibve ndadzokera kubasa hangu ndingakukanganisei kutaura nehama yako".
Akabva atoita chinamira, achifamba kuenda neni kwaive naHenry. Henry wacho ainge atove busy
kubaya baya fon yake akatsikitsira hake. Ndakabva ndasvika ndokutambanudza ruoko rwangu asi
ndakashamisika nezvaakataura, ndaifunga kuti achanyara Kelvin wandaive naye,, asi akatoratidza
kushaya hanya, zvikanzi "Hesi Tale wangu,ndiri kuda iri hangaiwa chaiyo"Kelvin ainge aripo hake
akatarisa achibva ati kuna Henry "muri sei maboss�� achimuita big up, iye ndoku responder wo nebig up
zvikanzi " madii vakuru vangu" Ndakatoona kuti Henry aisatombogaya zvikanzi "tipe maintroduction ka
Talent" Ndaitoshaya kuti saka ndaipa maintroduction ekutii manje. Ndakabva ndangoti "uyu anonzi
Kelvin ifriend yangu, iwewe Kelvin, uyu ndiHenry ifriend yangu futi" apo ndaiita kushaya kuti ndodii
nenyadzi... Kelvin ndakaona kuti haana kufara nazvo achibva ati "nice to meet you, mdhara,regai
timbomhanyira pagraft, chimbosarai muchitaura naye Talent uyu" akadaro achibva atoenda kumota
kwake,sare ini naHenry......

Paainge ati ndiri kuda hug, ndakangoita sendisina kuzvinzwa zvikanzi "chindipa hug yangu pamwe wange
uchinyara kamupfanha kabva pano ako, iko kambenge kachideiko ndatombofunga kuti ndi ex husband
wako ndipo pandazoona kuti katoriwo kamupfanha kanenge kari kuda kutaimira bbe rangu manje
handikaregerere kachikutora ndakatarisa hazviite izvozvo" Ndakangoti Henry anopenga shuwa, aitonditi
bbe rake senge taidanana. Dai aitomboziva kuti kamunhu kaiti kamupfanha aitombove mukomana
wangu aisambodaro, Ndaingosekerera hangu ndakamutarisa. Akabva andindibata ruoko rwangu zvikanzi,
"saka uri sei nhai Tale wangu?"apo ainge akanditarisa mumaziso chaimo ndikati "ndiri bhooo uri
sei"zvikakanzi "I 'm fine ndadzoka kwauri zvamuchose, and ndiwe munhu ari kuita kuti ndifarire kugara
kuno," Ndakabva ndanyepedzera kudzungaira ndikati " uri kutii ko iwe?" Achibva atanga kuseka
hake,zvikanzi zvapera ari sei mwana wedu Tadisa? Ndikati ari bhoo zvikanzi wikend ndiri kuda kumuona
please unouya naye kuno kutown. Akazotanga kundiiudza nezveku U.K kwaainge ari achinditsanangurira
asi aingochema chema achiti daday vake ndovaibatikana nemuviri sezvo vainge vabatwa Sugar
Diabeties.Ndakangomusimbisawo ndichiti vaizoita zvakanaka, zvekuti lunch yakazopera tichingotaura
nyaya, achibva ati aizoda kundiona pawikend sezvo aida kumboona nezvekubasa kwadady vake.Akabva
ati aizoda kuenda nekubasa kwaCharity achimuona then ozoenda. Ndakabva ndamuoneka
ndomhanyirawo kunodya,sezvo lunch yainge yave kunopera. Paainge ave kupinda mumota akabva
anditi"uudze kamupfanha kaye kuti ngakatambire kure newe,ndaona mabatiro aakuita uri paya
ndikaziva kuti kanenge kari kudawo chimoko,manje hakuna izvozvo ngaatambire kutwuvana
twechikoro" Ndakaseka hangu zvaitaurwa naHenry achibva asimudza mota yake oenda.

Paakaenda ndipo pandakasara ndichifunga kuti ndainge ndaisirwa massage kunzi Melo ari kurwara,ko
zvaana Melo zvainge zvichafungwa naniko,ini ndaivarairwa nechiso chaHenry. Chokwadi chakangonaka,
Henry ainge akanaka hake,zvekuti pese pandaimutarisa ndaitovarairwa kunge munhu ari kuona TV apo
aiti kana achiseka aibva abuda twukomba mumatama,zvaibva zvaita kuti ndirambe ndakamuyev
a.Ndakatanga kutofunga kuti ndaifanira kutobvunzisisa munhu aive nenumber dzainge dzanditumira
massage kuti vaigara nechepapi kuKambuzuma kwacho, ndipo pandakaona kuti Melo aingondipawo
basa nezvinhu zvisinawo nemusoro wese. Ainge akazvitsvagira zvinhu zvake ega achizviita munhu
akangwara, hezvo ainge anamwa nayo sick. Ndakafonera Charity ndichimuudza,ende igaroziva kuti
aisasara,nekuti pamwe ndaigona kuzoenda ndega,ndikasviko rohwa ikoko riri dhiri rinenge rarongwa
naMelo.,,pakuti munhu wacho aisave munhu wekuvimba naye stereki, aigona kukupinza pama1. Charity
haana kumboramba hake, akabva ati taizoenda ikoko after work tonoona kuti zvaive sei. Kana ivo vanhu
ivavo ndaotoshaya kuti vainge vanhongana kupi naMelody nekuti taisambove nehama inogara ikoko
kuKambuzuma.Ndakangoti zvakaoma chokwadi,hupenyu haudi kudaro so.

Kwatove kumapast 4 dzezuva rovira, ndichiri pabasa, Kelvin akabva afona ndokutodaira hangu
ndakadekara achibva ati " Iih ko kusatiudzawo kuti maane zvinyowani veduweee ?" Ndikati "zvinyowani
zvipi hama?" Zvikanzi "muface wako uya wandaona masikati,, saka wakatokanganwa nezvangu shuwa
Talent?" Ndakangoti zvaari mashura.. iye aitove nemusikana wake wandaiziva,saka apa ndakatoshaya
kuziva kuti airevei manje,ndikati " handisi kunzwisisa Kelvin uri kumbotiiko?" Zvikanzi "I still love you
Talent, nhasi pandakusiya wakamira nemukomana uya ndanzwa jealous and ndipo pandazo realiser kuti
I 'm still in love with you," Ndakambonyarara kwechinguva ndikati "hapana chekumbonzwira
jealous,haasi mukomana wangu uya,plus iwewe ndakarambwa nevanhu vekumba kwenyu saka hapana
zvandingazviite inga une musikana wako wani plus nyaya iyi takaitaura kudhara ikapera,tikarambana
saka nhasi zvazodii inga tange tingori shamwari zvakanaka naka wani?" Akamboda kuzama
kundinyengerera asi ndakamuudza kuti zvaisazofa zvakaita, aifanira kutsvaga munhu wezera
rake.Akazongobvumira, asi airatidza kurwadziwa ndopandakaona kuti munhu haabvume
kurambwa,zvekumhanya.Painge pasina zvekuita,,,,,
Ndakazochaisa,ndokufonera mother kumba ndichivaudza kuti taizononoka kuuya sezvo taida kuenda
nekuKambuzuma zvikanzi horaiti. Charity akazouya achinditora zvikanzi chifonera munhu wacho tinzwe
kuti vanogara nechepapi papi,nekuti inin ndakambopfuura neko ka 1 " Ndakabva ndafona ndokudairwa
nemumwe mukadzi achibva atiudza mafambiro.Tave mumota Charity akabva atanga kutaura,zvikanzi
"Bamunin vambosvika nekubasa masikati" ndikati bamunin vapi zvakare?" zvikanzi "Henry ka,ko hant
ndiye ave bamunin vangu here?" Ndakangoseka zvangu ndikati "ange achitii ?" Zvikanzi "andibvunza
nezvako ndikamutsanangurira kubva pazvakatangira kusvika pazviri now,zvekuti hapana chandasiya
kusvika pakumhanyiswa kwakaitwa Andrew nembwa musi uye." akadaro Charity achiseka hake ndikati
inga zvakakuomera,wange waakuto tsanangura nezvembwa futi?" zvikanzi " Inga unondiziva wani kuti
handidi kutaura ndichisiirira zvekuti kana Henry wacho ambotanga akanyarara akateerera
ndichimutsanangurira asi pandasvika pekumhanyiswa kwaAndrew nana Tiger naBingo azotanga
kusekawo. Road yese taingokurukura hedu naCharity tichitaura nyaya zvikazi "Henry munhu ari bhoo
Talent, ari humble kwete zvevamwe vanhu vanodada nekuti vane mari and munhuwo anotozivawo kuti
kunoendwa kuchurch zvekuti ndingafare ukazodanana naye hangu and I know kuti
anokuda,nemutauriro waange achiita." Akadaro hake Charity achirova mota takananga kuKambuzuma
kwaana sister Melo. Handina hangu kudaira chinhu ndakangoseka seka hangu ndokunyarara.

Takazosvika kwatove kuma past 6 zuva raakuda kudoka,ndokuenda paimba yatainge taudzwa. Charity
akasviko nocker pagate ndokubva tanzwa munhu akadaira ari nechemukati, zvikanzi ndiri kuuya"
Rakauya rino zigadzi zidema raive zikobvu apo mateya aaive nawo makumbo aiita kunge pinjisi.Ainge
akapfeka kashort imo mumazikumbo eblack iwayo, twubvudzi twainge twakamonwa monwa kunge
munhu adirwa mufushwa mumusoro.Ndakangoti hey �,Charity akangonditarisa neziso raitaura rega kuti
"hona mwana wako��" Tisati tambomumhoresa akabva ati "makadii henyu ini ndinonzi Chiedza asi
vakawanda vanongonditi Chichi, ndimi ana sisi vaMelo here?" Charity akabva angogutsurira musoro
zvikanzi "ok matoita mauya chokwadi Melo ariko kuroom yake kuseri uko ari kungochema ariko anenge
ane sick chete nekuti nezuro aichema ari mutoilet achitadza kuita weti,saka ndakatozongoona number
dzaaiwanzotaura nadzo dzainge dzakanzi mai Panashe mufon make ndokuvafonera ndichiti vauye
kuzomutora aende kuchipatara nekuti munhu anofa takatarisa vachibva vandipa number dzenyu
zvikanzi taurai nasisi vacho". ndakabva ndati "ngatipindirei nechemukati tinomuona kuroom kwacho
kwaari " ndokubva atitungamira kupinda mukati zvikanzi "handei ndinokuratidzai"...

Pataifamba naCharity taingotatarisana nekuti pamba pacho painge pakasviba zvekuti huya hande,
mabhodhoro edoro ainge ari bvuu neyard yese, kubva kune ecastle,pilsner ana viceroy.
Ndakatombofunga kuti zvimwe pada pashabhini ka ini. Ndakazoona kuti paisave pashabhini
pandakazoona vamwe vakadzi two vainge vakagara vari nechepakona, vachiputa fodya, ndikaziva kuti
paive pamba pepfambi nekuti mupfekere wavo waitadza kunzwisisa kuti vanhu here kana kuti zvidhori
nekuti umwevwacho ainge akaisa weave yegreen nered mumusoro kumeso kwakangopendwa pendwa
nepamwe pasiri necessary idzo lipstik dzakaita kunamwa pamuromo,kana iye akati lipstik ndiwo
mucheno ummmh. Twuhembe twaive twakapfekwa waitoona kuti munhu ari ku abuser hembe
uyu.Ndaingokandana maziso naCharity apo macondom aive ari bvuu mu loan wobva watoshaya kuti
saka vanhu vanenge vachifungei manje. Imba yacho yaingove netsvina kubva kugate kusvika tisvike
kune kamwe karoom kaive nechekuseri kwacho kwainzi ndiko kwaMelo kwatakanongedzerwa neuya
wekuzviti Chiedza.Akangogumira pamusiwo ndokudzokera kwaive nevamwe vake,,,,

Tichisvika pamusiwo, takatanga kunzwa nhunzi kuti mo-oo ndikaziva kuti mukati hamuna chakanaka
umo. Takatanga kunzwa kasound kanenge munhu aigomera mukati imomo Charity achibva
abherengedza door kurisiya rati haradada ndokubva atanga kupinda iye. Mumba maive netsvina imomo
apo mainhuwa size tsvene,Melo aing e akangorara pachimatress chaivemo,chainge chakasviba kuti ndoo
apo ainge akaita kubvisa hembe dzese akaita kuzvimonera zambiya akaita kurara nedumbu akavhura
makumbo.Eheka, ko matrouse aizopfekeka here pakadaro iye akarohwa nezombototo resick kudaro,
kutopfeka trouse kwaitomu dzimbira marwadzo saka painge pakaipira tuu. Mwana ainge akangogariswa
mukadish akaputirwa nekatauro madzihwa nemisodzi zvakangozara kumeso achiratidza kuti aineta hake
nekuchema mwana.Ndakarwadziwa mufunge api Melo wacho aingogomera ari pachimubhedha ichocho.
Mumba macho maingove nechimatress ichocho neka satchel kake kaigara twuhembe twake
netwemwana .nemabhodhoro edoro aive kuseri kwedoor. Ndakatoshaya kuti saka mari yese yaainge
akatengesa zvinhu ainge akaisepi nekuti mumba macho maingove ground musina kana
chinhu.Paakationa naCharity akangovhura maziso zvekuratidza kushamisika. Charity akabva ati "ndimi
ka muri kudodai kutambura nayo njovhera muchiora muri muno kudai?" Ainge ayangamara musodzi
mumaziso zvikanzi naCharity "Ari kupiko nhasi Andrew murume wako waaidada naye zuva riye
kuchipatara?"Ndainge ndakangonyarara hangu ndiri zii ndakatarisa zvikanzi naCharity "isu
tatongouyawo kuzoona kuti njovhera iyi mukuig onawo sei ndofunga pakati pemakumbo pari kuita
kutapira nemaronda�" Ndakamboda kuseka nekuti Charity aitoda zvekupfidzisa Melo chaizvo.iye akabva
adonhedza musodzi zvikanzi naCharity "aikazve wogochemei zve hant zuva riye wakati unonzi Melody
iwe hauna basa nerubatsiro rwedu isu ana sisi dhori manje zvawaakungonhuwa uri mupenyu kudaro
uchadii?" Akabva aridza tsamwa zvikanzi naCharity hooo uchiri kuda kuzviita muhard nhai manje isu
taakudzokera mosara muchinyatsoora bho-bho princess muri muno mupalace menyu,,,, isu taakuenda
hedu isu" akadaro Charity achindibata ruoko kuti tibude. Tisati tatomboti pano neapo takanzwa Melo
aakuridza mhere achideedzera zvikanzi "sisi Charity please dzokai" Ndopakave pekutanga kunzwa Melo
achiti sisi kuna Charity ndikaziva kuti ainge anzwa butter.Takabva tadzokera mukati zvikanzi naCharity
nhasi waakuziva kuti ndiri sisi vako manje?"Akabva aramba ari zii zvikanzi naCharity "pindura iwe"
achibva atanga kuchema zvikanzi "pliz imbomirai kuita mafunnies ndaakufa kani sisi Charity" ndakaseka
hangu zvikanzi "sisi Tale please musadaro ndakufa ini apo misodzi yaaiita kuyerera,,,, makumbo
akavhurwa kuiswa rimwe uko rimwe uko,,ndofunga aiitira kuti mhepo ipinde. Ndakangomutarisa hangu
ndokusimudza mwana muchidhishi chaainge akagadzikwa ndichimubata" Ndakaona Charity aakuti "
hamuchigone chipfambi ichi ana Melo zvino hona manje waparara nesick pasina mazuva pamwe watove
neAIDS futi.... kuzomudaro akabva awedzera kuchema ndokuramba takamuyeva hedu apo mwana aive
netsvina yekusageza ,, kuita mondo nwana nudiki adaro . Kunze kwainge kwave kusviba manje
kwaakuda kutanga kuita rima ndofunga dzainge dzave apast seven dzemanheru. Ndakabva ndamuti
"wazviona ka kuti hauna kungwara Melody?" Akabva angotanga kukwiridzira madzihwa zvikanzi
naCharity simuka wega uyende mota kana uchida kuti tikuendese kuchipatara" zvikanzi "handisi kugona
kufamba" zvikanzi naCharity "kana waakuda kuenda uchasimuka hako ipapo" taakusano tungamira isu
wozotevera"aitodaro ari serious Charity zvikanzi Tale hande kumota nemwana achindidhonza kuti
tibude" ndokubva tabuda ndokutanga kufamba ndokumusiya arimo.Tichangoti pote pachikona takabva
tasangana nezigadzi riye rekuzviti Chiedza zvikanzi, "asi mafunga kumusiya here nekuti munhu wacho
nharo takabvira kumuudza kuti shandisa macondom pabasa iri nekuti Jonah waaidanana naye
anowanza vakadzi ndofunga ndiye akamupa sick iyoyi" Taisave nebasa nazvo zvese zvaaitaura izvi
isu,Charity akangoti howo tichibva tafamba kuenda kunomira kumota nemwana ainge ogwagwadza
nechando. Pasina nguva takaona Melo aakuteera achinanaira akaita kuvhura makumbo uku
achichema.Charity akabva amuti "ko zvawauya usina satchel rehembe dzako unonopfeka hembe
dzaani,dzokera unotora uko" Akabva awedzera kuchema zvikanzi sisi Tale endai munonditorerawo
please handisi kugona kufamba ndakanganwa"Ndisati ndapindura Charity akabva ati "unopenga stereki
kasira kudhashangara makumbo ako ufambe unotora kabag kako wega hapana bhoyi rako pano" Haaa
ndainge ndaakuchinzwa tsitsi manje nekuti Melo airwadziwa zveshuwa but ndaida kuti ambodzidza kuti
ndozvinoita life. Akabva afamba achienda kunotora kasatchel kaya,ndokudzoka achinanaira zvikanzi
naCharity "simudza gumbo ukwire mumota tiende" Haa apo ndipo paakaibongomora mhere chaiyo
kwamberi zvikanzi " sisi Charity musadaro please ndiri kurwadziwa handingambo kwanise kukwira
mumota ndikwidzeiwo" Charity akabva amubatsira ndofunga ainge anzwa tsitsi manje ndokumugadzika
paseat kwaakubva aita zvekurara chaizvo ndofunga kugara kwairwadza,, ndokubva asimudza mota
takananga ku kuhospital kuGomo.

Takasvika naye achichema ndokusvikopihwa bed.Takangomusiya ndokutakura mwana toenda naye


kumba, Takapfuura tichimutengera mukaka kuti agononwa. Tichsvika kumba kaTadisa kainge kachiri
kakasvinura zvikanzi "mama kamwana kaani ako aka kakapeka zvakashata kudaro endai munokarasa
panze"ndakangoti mwana wangu dai aitomboziva kuti ihanzvadzi yake aisambodaro.Ndakabva
ndamugadzirira mukaka ndokubva anwa ndichibva ndamugezesa achibva arara hake nangwana acho
takamusiya namother ndokuenda kubasa,, kuchipatara taida kuzoenda palunch pavisiting hour ya
1.pakakwana time Charity akabva auya achinditora ndokubva taenda kuchipatara kuye, Takasvika
akarara pasina nguva, doctor akabva apinda "zvikanzi ndimi hama dzaMelody here ?" ndikati "ehe"
zvikanzi dont worry anoita bhooo hake asi takamuita blood test nezuro manheru maresults ake ndiwo
aya", vakadaro

vachinditambidza envlope yaive nemaresults ake........


CHAPTER 40

Ndakatambira envlope iye, kuti ndiverenge zvaive mukati. Ndaitarisira kuwana zvese,bad news kana
good news nekuti Melo vanhu vaainge akapinda navo ndiye aivaziva kuti vainge vakadii. Ndaiita
kudedera ndichitya kuvhura envlope sekunge maresults acho aive angu. Charity akazviona ndokubva
atora envlope iye,ko aisada zvinhu zvekunonoka ka sahwira wangu, akabva atongovhura hake kuti
awone kuti zvainge zvakamira sei. Akabva aburitsa mapepa maviri ewhite,aivemo ndokuvhura rekutanga
ndokunyatsoverenga hake pore pore ndokunditambidza asina zvaakataura. Ndakabva ndatanga
kuriverenga,iri ndorainge rakanyorwa kunzi anesyphilis which is a sexually transmited disease,nema
antbiotics cho aaifanira kushandisa. ndakariverenga ndokubva ndangoripeta peta ndokuripfumbata
zvangu mumaoko, apo sisi vacho muridzi wezvinhu vainge vakatorara havo pakamubhedha. Charity
akabva azonditambidza racho chairo rine zvandaida. Ndisati ndaverenga Docter vaye vakabva vabuda
ndokubva tasara tave two naCharity. Ndakabva ndaona iripo zvayo HIV positive iri dzii pachipepa.
Kutaura chokwadi ndakarwadziwa ini, ndaisazvibeliever kuti Melo atove nechirwere shuwa. Ainge
akanditadzira hake asi apa ndakarwadziwa kutaura chokwadi. Ndakabva ndatanga kuyeredza misodzi
zvikanzi naCharity "Iwe Talent dzikama iwe,usaite semwana mudiki, hapana chinochinja nekuti wachema
wanzwa" Aitaura hake chokwadi asi ndainge ndarwadziwa ini. Ndichiri kuchema kudaro,Melo wacho
akabva asvinura ndokubva ataura nekazwi kainzwisa tsitsi zvikanzi "ko sisi Tale muri kuchemei?".
Handina kukwanisa kupindura ipapo, Charity ndiye akazoti "anoyema Talent uyu,,ko waakunzwa seiko?"
zvikanzi "ndiri kurwadziwa ini, ko sisi Tale vari kuchemei asi pane kwafiwa?" Ndakabva ndamuti
"wazviona ka zvawaida Melody hona maresults ako ayo" ndakadaro ndichimukandira chipepa
chiye,kumeso kwake. Akabva achivhura ndokuchiverenga zvikanzi "nxii ndezvekunyepa izvo zvimushini
zvavo zvakakanganisa handina AIDS ini vanopenga avo" ndakatoona kuti Melody anotopenga chaiko
ndikati "saka ivo ndivo vaakupenga manje iwewe ndiwe unoziva" zvikanzi"nxii sisi Tale
ndizvamunobhowera,munenge muchingopopota aagh ndine nzara ini mandivigirei?" Ndakatoona hangu
kuti ndaitambisa misodzi yangu kuchema, nekuti munhu wacho aisave nebasa nazvo. Charity akabva ati
"unogoti takuvigirei sekunonzi patakakusiya kuno nezuro,wakatibatisa mari yekuti tikutengere chikafu
sei?" Akabva angoti zii ari pachimubhedha paye,nzara yainge yamubaya nekuti twuchikafu
twemuchipatara hapana zvatwunobatsira. Ainge ave kunzwisa tsitsi manje ndokubva ndaburitsa take
away yaive nerice randainge ndamutengera,ndakaona akuvhura maziso pameso pachangamuka zvino
ndokumuti "muka uende panze apo unogeza maoko udye"zvikanzi sisi Charity huyai mundibatsirewo
kusimuka handisi kukwanisa" Charity wacho akatoramba akatyora hake kunge aisazvinzwa ndikaona
shasha yaakutatarika kusimuka kuti anogeza maoko panze. Ndainge ndakangoyeva hangu apo aiita
kufamba akavhura makumbo ndikaziva kuti ari kuyuwira. Ko chinonzi chikafu ka aitoshingirira kumuka.

Akabva adzoka achinanaira hake kudaro ndokubva agara pabed paye ndokumusvitsa rice riye kuti adye.
Akangotanga nekunhonga piece yenyama yaivemo ndokutanga kudya, kana Charity akazotanga
kusekawo zvikanzi "iiih Melody unokara shuwa, ndosaka wakabvutira mwana nyama kumusha" Iye kana
kumbogaya zvake, akabva atopindurudza twumaziso twake uku achirova nyama apo aiita kupwanya
nemabhonzo. Ndakatoshamisika kuti ndiye munhu ari kurwara here uyu achangamuka pachikafu kudai.
Akazotanga kudya rice apedza nyama apo mudyiro wacho handifunge kuti aitombofungawo kuti ane
mwana aitoona zvese zviri bhoo,haana kana kuita shungu nekuziva kuti mwana wake airarama sei
zvaainge asiri naye. Akadya rice rese,hapana kana tsanga yakasara ndikamuti "saka zvamuri kudya kunge
maka haiwa kudaro kana mabuda muchipatara muchanodyeiko kumba kwenyu ikokuye?" Akaramba
hake ari zii ndikamuti "waakufanira kutanga kunwa mapiritsi echirongwa" zvikanzi ,"nxii,sisi Tale
munopenga, munofunga kuti ndine AIDS inini manje munhu ari fit kudai?" Charity akamutarisa hake
zvikanzi,"saka uri kutozviona kunge uri fit so ipapo ?" Zvikanzi ehe ndiri bhooo ini handina AIDS ini"
ndokubva ndamuti "iwe usatisembure hausi docter waakufanira kutopinda pachirongwa kwete marara
auri kutaura ayo". Akabva aridza tsamwa ndikaona hangu kuti ainge asina kusiya chihunhu chake
chekudhara, ende aizoita rough yake iyoyo kusvika muguva. Akabva arara pakamubhedha kake ikako ari
zii apo makumbo akaita kuvhurwa ndakangoti nhasi hedu, ko aive mudhinhiwe chaiye ka,
aisatombogaya. Ndakabva ndamuti taakudzokera kubasa isu zvikanzi"pamuri kuuya kuvisit yemanheru
mundiigire maapple ndamasuwa chaizvo" Ndakaseka hangu ndikati "wawanzwa kuti ari kudzoka
kuvisiting hour yemanheru ndiani manje, plus kana ari maaple kanganwa hako uchadya sadza
remuchipatara, hapana ari kudzoka manheru saka wotombomira kuita mukanwe muhotera hapana
wawabatisa mari yako yekuti tizokutengera maapples auri kuda" Akabva aridza tsamwa zvikanzi
naCharity "uchadya izvozvo wakapusa stereki" ndokubva tabuda tichimusiya hedu.Takapfuura
nekuoffice kwadocter tichibvunza kuti aizobuda riini zvikanzi "maybe after a week nekuti syphilis yacho
yainge yakanonokerwa saka yainge yakanyaya yaitoda treatment yakasimba. Takazobuda ndokusiya
ndabhadhara mari dzaidiwa .

Ndakatobhoikana nekuti mari yese yandaimubhadharira mabills nemushonga iyi yaive mari yandaifanira
kudya nemwana wangu pamwe chete nekutumira vabereki kumba. Mwana wake aive kumba aida futi
kuchengwtwa apo mukaka wacho aiita wekudutira,zvaitoreva kuti ndaitozotenga umwe nekukasira, apo
iye anenge achida kutengerwa mapiritsi futi. Ndaisazvikwanisawo ini ndaisahora
mabillion,ndaitotambirawo mari shoma saka aifanira kutodya maporidge nemasadza ekuchipatara
iwayo, hant ndizvo zvaaitsvaga here plus ndainge ndakatomuitirawo nyasha kumuendesa kuchipatara
saka ndainge ndarwisa chaizvo. Ndainge ndakatomugadzirira size tsvene kuti kana abuda muchipatara
aizoziva kwekunanga nekamudhori kake nekuti ini ndaitochengetwawo naTadisa wangu saka hapana
kwandaimuisa nekamwana kake plus nekunyenama kwake ndaisambo garisana naye,taipedzisira
tarovana. Aida kuzviita muhard chaiye,saka aizoziva kwekunanga nemwana wake.
Takazosimudza mota todzokera kubasa sezvo lunch hour yainge yave kupera zvekuti takapotsa tanonoka
kusvika. Charity akabva andisiya onanga kwake ndokubva ndaudzwa kuti pane mukadzi ainge ambouya
palunch achinditsvaga, ndikavati ativvanonzani zvikanzi vati ndinonzi mai Fadzie ndikaziva kuti ndisisi
vaAndrew and ndainyatsoziva kuti vainge vauya vachida kundinyengerera kuti ndidzokerane naAndrew,
manje izvo ndizvo zvandaisaita manje vainge voda kundisembura nenyaya yavo. Ndakabva ndafunga kuti
ndainge ndisina kumbobata phone yangu kubva ndiri kuchipatara,ndainge ndakangoiisa muhandbag,ko
ndaizozvifungawo nepapiko naivo ana Melo,vainge votipinza busy kudai.Ndakabva ndaona iine 13
missed calls dzaHenry ne3 mamassages,2 acho aive aHenry yekutanga yainge yakanzi "bbe please ko
hausi kudaira phone wani hadigoni kupedza mahours ndisina kutaura newe please" yechi 2 yacho yainge
yakanzi "Kana wave free unondiisira call back please, i hope you are fine" Ndakabva ndangomu phonera
ndikati "zviri sei ndambenge ndaenda kuchipatara kunoona munin'ina wangu "zvikanzi "hooo uyooo,
ndakatsanangurirwa nyaya yake naCharity inga anokupinza busy nhai veduwee" ndikati ndozviripo
hapana zvandingazviite" zvikanzi "wakamuregerera kubva pakutanga dai wakamurova kubva
pawakatanga kumususpecter manje haana kubatwa chirwere here?" ndikati "atove nacho" zvikanzi "hey
inga ma1 chaiwo abva atobatwawo nechirwere ari mudiki kudaro inga zvakaoma" Takazotaura zvimwe
ndokubva anditi ndisakanganwe kuuya naTadisa kutown pawikend ndikati ndaizouya naye" ndokubva
ndazocutter phone yangu. Ndichingocutter akabva atumira airtime ye $5 ndokubva afona ipapo zvikanzi
"airtime yako yawafonesa iyo, ndini ndinofanira kukufonera hanti ndini muridzi wako" Akatodaro
achiseka hake ndokubva azocutter fon.

Ndakatozofunga kuti ndaive neimwe massage yandainge ndisina kuvhura ndokuona iri massage yainge
yabva kuna Andrew ndikaziva kuti mainge makanyorwa marara ndokuivhura. Yainge yakanzi "makadii
mai Tadisa mukadzi wangu ari sei mwana wedu please dzora moyo titange life yedu patsva handizive
kuti chii chainge chandibata asi ndakazo realiser kuti ndiwe ruva remoyo wangu" Ndakaita kuridza
tsamwa ndichipedza kuverenga massage yaAndrew iyi ndokubva ndamupindura ipapo ipapo ndikati
"Andrew undikwanire wazvinzwa ende usazvinyepere hako uchifunga kuti ndinodzokerana newe,,dai
waitomboziva kuti unotondisemesa waisambodaro" Haana kuzopindura ndofunga zvainge zvarwadza
baba vanhiya ndikati hameno ikokooo. Iye ndaitoshaya kuti ko sick yairwara chimoko chake iyi, yainge
yamupotsa sei nekuti Andrew mumadress aisabva. Ndaizviziva hangu kuti chirwere chaizomunama
chete hapana kwaaizosvika.....

Manheru patakachaisa takananga kumba hedu,, vekuchipatara avo vaizo visitirwawo nemanurse
vachibaiwa majekiseni ko handiti ndoozvaainge akada here. Kana chiri chikafu chakanaka aizochiwana
mangwana acho masikati futi, aimbosanodya sadza remuchipatara iroro. Tichisvika kumba takaona
mother vari busy kutamba nemwana waMelo apo Tadisa ainge agere paside chidhori chiri mumaoko,
chigunwe chichiyamwiwa akayeva hake mwana aitambwa naye.Paakangotiona akabva amhanyira
Charity zvikanzi "mama Charity kamwana kaani kakabatwa na aunt aka, kanokara aka kanoita kupedza
mukaka wese endai munokadzorera kuna mama vacho" Charity akaseka hake zvikanzi "mwana mudiki
uyu Tadisa haana chaanoziva" zvikanzi "aagh anoziva uyu inga anombosekerera wani manje ndichaviga
zvidhori zvangu anozondibira"Takaseka hedu nekuti Tadisa aitove karadio chaiko, ndaitoshaya kuti ainge
akatodza ani kutaurisa nekuti inini nababa vake tese hapana aitaura kudaro,apo aiita kutaura kunge
munhu mukuru chaiye. Dzimwe nguva ndaitozoita wekunyararidza neshamhu nekuti kutaura kwacho
ndaitoona kuti ndaigona kuzongonyara pane vanhu rimwe zuva. Iyewo mwana waMelo aisambochema
zvake,ndakato shamisika kuti ko mwana uyu haafunge mai vake here,apo aingoti akanwa mukaka wake
obva atorara zvake,Charity akazoseka zvikanzi "mai nemwana hapana ane basa neumwe vese atori
nadhinhiwe" Airevesa shuwa apo mwana wacho aisatombove nehembe, ndakati handitenge, aipfeka
madhende iwayo hant baba vake vaive vapenyu zvavo. ...

Melo taingopota tichinomuona palunch pega pega ende hapana kana mafruits andaimbomutengera,
ndaida kuti ambodzidza kuti ndoinonzi life, aifanira kudya zviripo. Airatidzawo kuti ari kurecover hake,,,,
zvainge zvave nani asi kunyenama ndokwaive kwakanyanya.Aiita kupindura rough kukanganwa kuti
ndini ndaimubhadharira kuti arapwe. Akatozoita zvekutyisidzirwa nadocter kunzi ukasanwa maARV
uchafa after 3 months nekuti masoja ako mashoma mumuviri, ndiko kuzobvuma kwaakaita asi
aingosimbirira neyekuti mishini yavo inonyepa haione, pamwe zvombonzi vakandipa maresults asiri
angu handina AIDS ini... zvese izvi kwaisangove kuda kugamuchira kuti ave nechirwere chete. Haana
kana zuva1 raakambobvunza kutu kuti mwana ari sei ,kwake kwaingove kungo raichira chikafu achidya
kunge munhu akahaiwa. Manje chaainge asingazive ndechekuti achibuda muchipatara aizotakura
nemwana wake oziva kwaanoenda naye. Inga wani Tadisa wangu pandaive kumusha aingodyawo
nyevhe nemuboora ndiinaye, saka iye aizoona zvekuita plus aizviita gamba saka aizodya hugamba
ihwohwo.

Ndakazobvunza docter kuti aizobuda riinhi zvikanzi aizobuda week raaitevera racho neMonday
ndokubva tamuudza kuti wikend hapana aiuya kuzomuona nekuti iniwo ndaida kunoona Henry wikend
yacho saka zvekuuya kuzoona ava vekuzvitsvagira zvirweere zvavo vega yaitove imwe nyaya. Akabva ati
"kana musiri kuuya kuzondiona pawikend munondisiira mari tekutenga zvandinoda" Ndakaseka hangu
ndikamuti "hapana kana cent rangu raunobata wanguda, uchadya sadza remuchipatara,
ndorinoenderana newe saka pari panyaya yekupihwa extra money pora hako hauna kumbondibatisa
mari yako" Ndaida kuti anyatso pfidza nekuti iyo nyaya yekuda mari ndiyo yakazoita kuti aite chipfambi
saka hapana mari yaaizowana. Akabva aridza tsamwa zvikanzi naCharity " waakukanganwa chezuro
nehope ka, takakutora wakaora ikezvino wave kuita bhoo waakuda kurebesa muromo uchiridza tsamwa
dzisingapere?" Akabva anyarara nekuti Charity aimutya, aimuziva kuti anorova, aitodheerera hake inini.
Imo muchipatara macho mainge maita kumusakadza, dzoro rainge rakaveurwa mumaside riye, bvudzi
racho rainge rakura zvino apo twumabraids twaive pakati pemusoro twainge twaakunge tambo
dzeprama stove. Takaseka hedu zvikanzi naCharity "hokoyo nenhamo rwendo rwuno,,, kunofiwa
bhurukwa raEriyoti...."

Wikend yakazosvika ndokubva ndagadzirira, zvekuenda kutown naTadisa wangu. Charity aida
kunoonawo Charles wake,ko zvainge zvisisanyanyo kushamisa ka,sevanhu vainge varoorana kudai plus
vaive vanhu vaigona kuzvidzora kwete zvaana Melo zvedzungu izvi. Road yese tiri mukombi
ndaingobvunzwa naTadisa kuti "saka nhai mama asi muri kuenda neni kubasa kwenyu kuti
ndinokubatsirai kushanda here?" Kudozama kumuudza kuti nhasi iweekend hakushandwe,aingo bvunza
chete kusvika ndati tiri kuenda kutown kunotamba zvikanzi "saka ngatitakurei chidhori changu
nemagaba ekunobikira mahumbwe" vanhu vaive mukombi yandaive vakapedzisira vaseka nekuti mwana
wangu aitaurisa veduwee, aiita kunge munhu akabejerwa. Ndakazosvika mutown ndokufonera Henry
ndichimuudza kuti ndainge ndasvika ndokumuudza pandaive zvikanzi ndiri kuuya kuzokutora.Pasina
nguva akasvika pandaive ndakamira naTadisa wangu. Ndakatoshamisika achibuda mu Discovery
ndikatoona kuti vamwe vedu vaitochinjanisa mota kunge hembe chaidzo, apo muchenero waainge
akaita wega waipa kutenda. Akabva asvika pataive tiri naTadisa ndokusviko musimudza zvikanzi "ndiye
Tadisa wedu here akanaka kudai?" Ndisati ndapindura kakabva katonditangira zvikanzi "asi hamundizive,
ndini Tadisa ini asi imimi ndimi dady?" Henry wacho akaseka zvikanziv"yoogh inga pakangwarwa apa"
achibva ati "ehe ndini daday asi mama havana kukuudza ?" Zvikanzi "kana muri dady vangu chindipai
masweets",,,ainge atokumbira kare mwana wangu, aida zvinhu kunge mainini vake Melody. Mafariro
aiita Henry akabata Tadisa achiita kunge mwana wake akandipa kuti ndirwadziwe shuwa kuti mwana
wangu aiita kudiwa nababa vasiri vake kudai, iye Andrew aripo hake achiita kunge akafa kare
kare.Akabva amuti kana uchida masweets handei mumota unotora" tichibva tafamba kuenda kumota
kuye akangotakurwa naHenry. Dai Andrew aivepo achizviona izvi chokwadi aizvisungirira pamu onion
akafa.....

Tichisvika pamota akabva andivhurira door remota kuti ndipinde, iye ndokubva avhurira Tadisa,door
rekumashure, ndokumugadzika paseat achibva auya kuzogara padriver's seat rake. Ndakanzwa kaTadisa
kaakuti "hii mama hona" pandakacheuka ndakaona kwainge kwakagara Tadisa kwakazara
zvidhori,zvihombe nezvidiki, nezvimwe hobho zvekutambisa zvaive ko plus zvainge zvakasangana
nezvimwe zvekudya,zvinana masweets,machocolates nezvimwe hobho achibva amuti "ndezvako zvese
izvozvo ndakatengera iwewe".Ndakaona mwana wangu nyemwerero yaakuita kusvika kunzeve ndikaziva
kuti zvese izvi zvainge zvatengerwa Tadisa, ndokusaka aida kuti ndiuye naye.Akabva asimudza
mota,handina kuziva kuti aienda neni kupi, apo mumota macho maingoridzwa imwe song
yaingodzokorodzwa handina kuziva kuti yainge yakaimbwa nani asi yaive yechirungu,, ndainyanyonzwa
painzi _you are my darling forever_ Ndainge ndakangonyarara hangu ndichiteerera,apo mwana wangu
ainge aita kuzvigukuchira zvidhori ari kumashure achiita kunge achabvaruka muromo nekusekera. Henry
akabva anditi "ndiri kuenda newe kupark ku Africa Unity Square timbonogara uchindiudzawo nyaya
nhasi" Ndakangoseka hangu ndikati "hoo nhai" zvikanzi "ehe". Takabva tasvika ndokubva aburutsa
Tadisa ndokumutakura, tichibva tanogara pane chimwe chiwooden bench tiri 3 kudaro. Takagara
tichitaura nyaya achindibvunza nezvaAndrew zvese ndokumuudza zvese nepandaigona napo zvekuti
chakasara chine mudzimu wacho,nyangwe zvaMelo wacho ndakamuudza zvikanzi "saka wakavaregerera
here vanhu vaviri ava nhai Tale?" ndikati "yaah ndakavaregerera,asi zvingori zvinhu zvinondinetsa
kukanganwa" Achibva ati "its ok, unofanira kuvaregerera woita move on nehupenyu and bible rotaura
kuti "there is power in forgiveness" so unofanira kukanganwa nezvazvo Mwari ndivo vanozoona
zvekuita nevanhu vavo " Ndakabva ndamuudza kuti ndainge ndakazvikanganwa zvikanzi "very gud thats
my girl" apo aidaro akanditarisa mumaziso chaimo, kaTadisa kainge kakayeva zvako kari zii ndofunga
kairecorder zvekuzonoudza anaCharity tasvika kumba nekuti ndakaziva kuti kwaisave kunyarara kuri
kwega.Henry akazonomutorera chidhori 1 kumota ndokumupa kuti atambise kuti asabhoikane. Ndipo
paakabva atanga kutotamba hake nacho ndokubva Henry aswedera padhuze neni ndokundibata ruoko
zvikanzi "Talent, today is the day that I have decided to express my feelings, I LOVE YOU TALENT and I
didn'nt have the courage to tell you" Ndakangoramba ndakatuzura ndisingazive kuti ndodaira kutii.
Akabva aramba akanditarisa zvikanzi "say something Tale ndikati "do you really love me?zvikanzi
"ndokudai mese naTadisa" Ndakabva ndati "saka unoda munhu anemwana iwe ur...handina kuzopedza
kutaura andivhara muromo kuti ndisataure zvandaida kutaura zvikanzi "kuve nemwana hakuna
zvakunoziva ndinokuda zvakadaro plus mama vaakutoziva kuti kune muroora uku nemuzukuru so,
usambonyanyotye hako havana pressure nazvo," Ndisati ndataura chinhu fon yangu yakabva yararira
achibva aona pakanzi Kelvin zvikanzi "asi kamupfanha kaye here manje handikasiye kachikutora,
ndichanyatsokaudza zvakanaka naka hangu kuti kasiyane newe handimupopotere ndongomuudza bhoo
bhoo kuti Tale ndewangu nekuti I know kuti ifriend yako" akatodaro hake achisekerera akanditarisa
zvikanzi I'm in love with you Talent nyangwe ukasapindura watove musikana wangu"Ndakangoramba
ndakamutarisa hangu ndokubva ndachinja nyaya tichitaura zvimwe kusvika nguva dzafamba,,,
ndopatikazoenda kumota achibva atenga chikafu changu naTadisa mutown zvikanzi ndiri kukuperekedza
kumba nekuti ndine basikoro raTadisa riri kumashure plus zvinhu zvake izvi hazvitakurike ndofanira
kunokusiyai mave pagate.Akabva azondipa rimwe box hombe zvikanzi wozonovhura wave kumba mune
zvinhu zvako zvandakakutengera" Takabva tarova road takananga kumba Tadisa ari busy nezvidhori
zvake. Aingonditarisa hake Henry achidriver obva anyemwerera, zvekuti ndaibva ndavarairwa neface
yake kutokanganwa kuti kunaana Melo vairwara.....aingondivaraidza Henry handidi kunyepa maybe
ndokwaitove kukabira beat kwandaiita, kwakarehwa naCharity. ..........

CHAPTER 41

Henry akazondiperekedza kuMarimba, ndokutisvitsa pagate,,, ndokubva atanga kuburutsana nezvinhu


zvaTadisa zvaive zviri mumota kusvika apedza. KaTadisa kakabva kati " ko mukuda kudzokera kupi
handei tinopinda mumba,, ndakangoti mwana wangu anowanza dzungu veduwee ummmh, kuita kunge
Melody kudaro,, Henry wacho ainge atomujaira, akabva amuti ndouya kuzokutora next wikend toenda
kuChina Mall newe tonotamba ikoko,, ndokuzodzikama kwaakaita. Henry akazonditi aizouya kuzondiona
mangwana acho palunch. Akazopinda mumota make ndokundi bhabhaisa oenda,ndokusara
tichikakaritsana nemikwende yaTadisa plus kabhasikoro kaainge atengerwa,, tichinoisa kumba.
Ndakasvika Charity asati auya ndokusanogara hangu namother tichitamba naAndrew Junior. Vakabva
vati "mukaka wemwana wapera paakutoda umwe" ndisati ndapindura Tadisa kakabva kaganhira
zvikanzi "handiti ndakakuudzai mama kuti kanokara kamwana aka", this time ndakamurova muromo
iwoyo waitaurisa. Ndakabva ndafonera Charity kuti paaizouya azondivigirawo mukaka wemwana akati
horaiti. Mai vacho vaivepo kuchipatara, ndofunga ainge aita kusuwa kudya zvinonaka ariko ikoko,but
zvaingoshaya basa,zvinonaka zvinodhura.....

Mangwana acho sezvo yaive Sunday takazoenda kuchurch hedu naCharity,Melo taizonomuona
mangwana acho palunch plus doc vacho vainge vati aizobuda kuma 2 musi weMonday iwoyo. Tiri
mumota kuenda kuchurch Tadisa kakabva katanga kurotomoka zvikanzi "mama Charity, nezuro tainge
tiina dady, vakanditengera zvidhori" Akaseka hake Charity, zvikanzi ndakazowana bamunini vangu
chaivo hanti wairamba kundiudza chokwadi, hona Tadisa akutaura hake, uchenjrere kuti
anodzinyukunura dzese dzamaitaura nezuro ndikanakidzwa hangu" akadaro Charity achifa hake
nekuseka,, ndipo pandakazofunga kuti pane box randainge ndapihwa, randainge ndisina
kuvhura.Ndakangoti ndaizorivhura ndabva kuchurch. Musi uyu kuchurch kwaiparidzwa nyaya yapatience,
kuti tinofanira kuve nepatience muhupenyu, kwete kuda hupenyu hwaka fast fowardwa.Raive shoko
rairopafadza chose, zvekuti ndakaonawo kuti kumirira nguva yaMwari kwakanaka. Ko tinodireiko
kuendera Mwari kumberi kunze kwekungoti timirire nguva yavo. Pane pamwe patakazo realiser
naCharity kuti taikanganisa panhau yekunamata iyi. Taienda hedu kuchurch zvinhu zvichifaya asi
taisabvisa zvegumi zvedu. Inga bhaibheri rinotaura wani kuna Malachi 3 paverse 8 kuti _Will a man rob
God? Yet ye have robbed me. But ye say,Wherein have we robbed you? In tithes and offerings_ Kubvisa
chegumi zvinhu zvitori mubhaibheri hama dzangu, vamwe vanobva vati kungopa mafundisi mari
vachidya saka handibvise, usingazive kuti unenge uchitozvivharira door remaropafadzo. Iko kungobvisa
love offering muchurch kunokosha zvisingaiti mufunge. Ndakatoona kuti ndosaka pamwe ndaigaro
sangana netwumwe twumunyama,, Mwari vaida kundiratidza kuti pane pandaivakanganwawo
kuvatenda napo. Ko hant ndivo vainge vandipa basa racho here saka ndaifanira kuvatendawo zve....
Mwari ndivo muridzi wazvose.....

Takazobva kuchurch nguva dzafamba chaizvo nekuti Charity aimbotanga aenda kuyouth service.
Ndakaramba ndakagara hangu mumota, nyangwe hazvo mai mufundisi vainge vakanditi ndaifanira
kugara mune vamwe ndichiteererawo zvavanenge vachidzidziswa. Ndaisada kuenda nekuti mwana
wangu ndaimuziva,, aigona kuzongotanga kubvotomoka dzaHenry mune vana veyouth imomo
ndikanyara, saka ndakagara ndasara mumota hangu. Ndiri mumota kudaro, Andrew akabva aisa imwe
massage futi zvikanzi "uri sei mai Tadisa mukadzi wangu, ndakusuwa I hope wandinamatirawo seSunday
kudai " Ndaitoshaya kuti Andrew ndonyatsomuudza mashoko api anoenderana naye, nekuti ainge
aakundifizura manje. This time ndaisada kuchinja line, ndaida kumuitira zvekuti iye aizochinja line
ndamuudziridza. Ainge aakutaura dzekundisuwa manje, aona kuti aneta nepfambi dzake.
Ndangodeleter massage yake ndokurega kupindura, ndaisada zvemuyedzo hangu sezvo yaive Sunday
kudai. Charity akazouya, ndokusimudza mota takananga kumba hedu, ndokuona mother vari busy
naAndrew Junior. Ndakatovanzwira tsitsi shuwa kuti vaitopinzwa busy nekurereswa kamwana kainge
kasiri kavo, kana iye mwana wacho mazuva mashoma atainge tagara naye iwayo aitoratidza kuchinja wo
mwana, ainge ave kugara akagezwawa nyangwe hazvo aisave nehembe svinu.

Takazoronga namother kuti mangwana acho na1 vaifanira kuuya nemwana waMelo kuchipatara
taizosangana ikoko tichimupa mwana wake oziva kwekunanga, nekuti mangwana acho ndipo
paaizobuda muchipatara.Henry kana kuri kufona hameno kuti aifona kangani pazuva, tainge tongogaraj
tichitaura nguva dzese.Takaenda kubasa zvakanaka ndokubva Charity auya achinditora, kuti tiende
kunoona Melo kuchipatara nekunomu oneka sezvo raive day rake rekubuda. Ndakangotenga rice
semazuva ese, kana ari mafruits ndainge ndakatsiidza kuti aizomadyira kuhope,hapana kana
chandaimutengera. Takasvika hedu ndokumuwana arimo, ari busy kumenyana neorange,akagara
pamubedha. Ndakatoshaya kuti ko ainge ariwanepi nekuti aisave kana nacent saka ndainge
ndaakutofunga kuti pamwe hameno abvutirwa ko Melo ndainge ndomuziva ka,, aitomboita kunge
anopenga dzimwe nguva.Akabva abvunzwa naCharity kuti "ko orange wariwanepi?" akamboramba
anyerere hake aribusy kumenya zvikanzi na Charity usaite kunge usina kunzwa apo ndokutinha izvezvi"
ndipo paakazoti "nxii vanhu imimi mondishayisa rugare pasi pezuva, makandinyima mari yekuti ndisare
ndichitenga zvandoda panapa mukaenda ikezvino mukuona kuti ndiri kumenya orange motoda
kundipinza painterview kuti ndariwanepi aagh zvimwe munozonyanya sisi Charity nasisi Tale" akatodaro
hake asingagaye ndofunga ainge ave kuita manyemwe ekuti ainge apora manje. Charity akabva amuti
"saka wauri kuridzira tsamwa ndisu manje, nekuti tabvunza, wakajaidzwa,akadarro Charity achienda
paari, iko kutya kurohwa akabva aita kuchuruka paainge akagara achinomira kukona yemubhedha
zvikanzi "agh nhaimi sisi Charity zvehasha ndozvinei orange ndakumbira vamwe mother munext ward
umo ndovandipa". Iiih� Melo aida kudya hake, zvimwe ndezvimwe, aizozvinyanya kana Charity
akadzungudza musoro nazvo iye aitove busy kudya orange rake asingatombo cheuke kuti kunze
kunei.Ndakaburitsa phone yangu ndokufonera mother ndichida kuvaudza ward yataive tiri kuti vauye
nemwana waMelo.Ndakaona achiburitsa ziso kuratidza kushamisika pandakataura kuti huyai nemwana,
ndokubva akachidzwa nekaorange kaaidya, ko airega nei ko hanti ainge atokanganwa kuti ane
mwana.Akabva abvunza zvikanzi "ko mwana ari kuuya kuzodii nhai sisi Tale?" Ndakaseka hangu ndikati
"asi hausi kuda mwana wako kani?"ndokuramba akanyarara ndikamuti uri kubuda nhasi na2 saka tauya
kuzokupa kadhori kako woziva kwekunanga, zviri kwauri kuti woita sei kana uchida unodzokera
kwawaigara uchitengesa muviri wako, asi ziva kuti ukarwara ikoko uchafira ikoko, pamwe chandingatozo
kuitira kukutengera coffin rekuti chitunha chako chigozoiswa nekuti handingatemeswe musoro newe
munhu mukuru ane mwana wake, saka wozvionera kuti wodii plus ana Jokoniya vekumusha vawakisya
wadya mari dzavo vari kutokutsvaga nemeso matsvuku vari kuda twekwavo" Haa kuzomudaro ainge
apusa zvino kuita kuti undundu kunge huku yanaiwa. Ndakabva ndaburitsa rice riye kuti adye,
ndokumusiya aina Charity inini ndokuenda panze kunotambira mother vaiuya nemwana
wake.Ndakabva ndavawana ndokudzokera navo mukati maive naMelo apo aive busy kudya rice kunge
anopenga, Charity ainge akangomuyeva hake, ko aigodii nemunhu akadaro... Melo aitopedza power......

Paakaona mwana wake, haana kana kumboratidza kutirimuka kana kufarirawo mwana wake semunhu
ainge ave nemazuva asingamuone. Ndopandakaona kuti mapudzi anowira kune vasina hari zveshuwa.
Vamwe vaiita kurara mumakomo nekudyiswa type netype dzemushonga kudzin'anga kuri kutsvaga vana,
asi ana Melo vaiita kubhoikana newake mwana waaabereka. Ndakasvika ndokumutambidza mwana
wake ndikamuti "jaya rako iro wowona zvekuita naye,isu pedu takapedza isu takarwisa chaizvo,
kasatchel kako ako, ndimo mune twuhembe twake netwako plus mukaka wake watange tichimupa
kumba uko wozopota uchimupawo kana wave kumba kwako" Akaramba ari zii akangogukuchira
kamwana kake,apo kamwana kacho kainge kotanga kuchema, kubva zvakakabatwa namai vacho,
aigorega sei ko kuchema mwana, ainge atonzwa kuti zvasiyana ndabatwa nemaoko asiri iwo.Ndakabva
ndaburitsa $10 ndokumuti "mari iyo wokwirisa kombi wakananga kwaunonanga" Haana kana kunonoka
kutambira ko mari ainge akainzwisisa ka,kana chinoti maita basa chiri nani. Akabva atoti " inokwanei
iyoyi nhai sisi Tale, ko mukaka wacho wekuzonopa Junior ndozoutenga nei hant muri kundidzinga" Agh
takazoseka hedu tiri 3 namother ndakazonzwa mother vaakuti "nhaiwe unode kuitwe help kangani, inga
vakabhadhare mabills ako ekuchipatara plus kukuchengetere mwana wako despite kunyenama
kwaunoite kunge juru kudaro,itovatenda nekuti dai wange uri munin'ina wangu ndaikuite teach kuti life
yakaoma hais nyore sezvaunofungeba. Ndakangoti nechemumoyo "hokoyo nawasu" vaitaura chokwadi
havo mother,nekuti Melo ainge akadzungaira chaizvo aisagona kuapriciater aingogona kushora chete.
Ndakazoona ati zii manje, zvikanzi "sisi Charity ndokumbirawo ka kuti nhasi chete ndinorara kumba
kwenyu honai nguva dzapera dzaakuda kutoenda kuma2 saka ndinozoona zvekuita mangwana kuseni
ndokumbirawo please" Ndakanoticer hangu kuti aingogona kuti sisi chete kana paine mafavours
aanenge achida kuitirwa, aisagona kungorespecter munhu asina chaaitirwa. Charity akamboramba iye
ndokungoramba achiteterera kusvika Charity abvuma,asi ndaida kuti amurambire nekuti ainge akapusa
stereki manje sahwira wangu aisatana kunzwa tsitsi akabva angomuti "unoenda namother asi ndezve 1
day chete mangwana kuseni unofanira kurova nhetserwa wakananga kwaunonanga, handigarisane
nevanhu vemhando inenge iwewe mumba mangu" akangoramba ari zii,, ndaifunga kuti achatendawo asi
akatoratidza kuti aisave nebasa nazvo.Docter vakazouya zvikanzi ainge ave free kubuda hake ndokubva
vati apfuure achipihwa mapiritsi ake aaizopota achidzoka kuzotora after 2 months kana achinge apera.
Vakamukurudzira kudzikama zvekuti dai munhu wacho aine nzeve aifanira kudzikamawo asi Melo wacho
ndiye aive wese hake,, kutomuudza chinhu kwainge kwakangofanana nekuudza madziro.Takazopfuura
nekwaipihwa mapiritsi acho ayo aive mutwugaba, ndokubva angomvonyerwa mukasatchel muye
ndikamuti "unwe mapiritsi aya ukangorega tokuviga manje manje zvikanzi "nxii handife zvekumhanya
zvamunofunga izvo sisi Tale, muchatofa mukatisiya " Aitodaro hake asina kana hanya apo mwana ainge
akaberekerwa mumagaro kunge asiri wake zvake,chi satchel chiri mumaoko, zvekuti vanhu pataifamba
tiri 4 kudaro vaingotitarisa nekuda kwaMelo apo nezvaaive mumusoro zvaibva zvaita kuti aite kunge
benzi. Patakabuda kunze kwechipatara akabva aona murume aive nechingoro chemaapple nemabanana
zvikanzi "sisi Tale please chingondi tengeraiwo" ndikamuti "ndidzikamire gadzirisa moyo wako usangadi
kuona zvinhu iwoyo"ndokubva ati zii. Takazoparadzana naye namother voenda kumba vese isu
todzokera kubasa.

Pandakadzokera kubasa ndopandazotarisa fon ndokuona kuti Henry ainge ambofona apo ndainge
ndakamuvimbisa nezuro wacho patakaparadzana kuti taizosangana palunch.Ndakazomufonera
ndichimuudza kuti ndazenge ndaenda kuchipatara zvikanzi "haisi pressure bbe ndazviziva kuti
ndokwawaenda ndambouya ndikaudzwa kuti haupo". Henry ndakatonoticer kuti aive munhu ainge
akapfava kwete zvinoita vamwe vakomana kuti ukasadaira call yake kana kupindura massage yake
inotoita hondo yaHitira wekuhistory uye kunzi wange usangadairi phone wange uchiitei, hee chino
chino,,,, Agh nhai veduwee ndozvazvinoitwa here,munhu haangogari akabata foni mhani imi vakomana
imi,,apo munhu kuti mutozowirirana anenge achida kutanga itwa sorry,,,aagh zvino ingaita love here
iyoyo kugara muchingokumbirana ruregerero, zvinongoreva kuti nyangwe mukazoita baba mamai
unogara uchingopfugamiswa, mangwana mangwana ingori sory Shava,sorry Mhofu,Haiwawo ko
kungogara

wasiyana nemunhu akadaro muchiri mukomana nemusikana zvinei?........

Ndakazokumuka kubasa ndokumiriraCharity kuti auye kuzonditora ndokuenda kumba hedu,


ndaingofunga hangu weekend yandaka spender ndiinaHenry zvekuti ndaingonzwa maungira mumusoro
paakati "I love you Talent" ndipo pandaka realiser kuti kana neniwo ndaimuda asi kungoti I was very shy
kuti ndimuudze nemurumo wangu kuti "ndinokuda Henry Moyo"Ndakatanga hangu kusekerera
ndichifunga nezvake zvekuti ndakatozo peputswa mundangariro dzangu naCharity aitofa hake nekuseka
zvikanzi "yuwii zvangu rega ndiseke, ndofunga kaweekend kainge kaine munhu pasi aka, wabvira
kudhara kusekerera wega kudozama kukutaudza asi hauna kana kundinzwa,asi makazokabira beat
kani?" Haaa kuzondidaro ndainge ndonyara zvino zvikanzi naCharity "why are you hiding the fact that
you are in love with him nhai Talent ndinotofarawo kuti wakazviwanira munhu ari right, ndakatamba
naye Henry kuuniversity aingove munhu akangozvityora nyangwe nanhasi haatombovhaire nekuti
munhu akambogara overseas anongozvideredza nyangwe kumba kwavo kuine mari, mota hobho plus
macompanies adady vake."Akatodaro hake Charity achiratidza kurevesa,ndipo pandakaona kuti Henry
ndaimuda,,,,,

Tichiasvika kumba ndakabva ndamhanyirwa naTadisa zvikanzi "mama masikati aunt vauya nevaye vaye
vekundibvutira nyama kumusha, manje handidi kutamba navo ndavaudza kuti handitambe nemi
munokara vakandituka kuti pfutseki zimusoro rinenge damba".Ainge atomhan'ara mwana wangu kare,,,
ndakatozosara ndopinda mumba ndatoziva kuti Melo ainge atuka mwana wangu, iyewo Tadisa kacho
kaizozvinyanya aagh,, aisagona kuvhara muromo wake, ndakangoti regai atukwe.......

Takaparadzana naCharity iye akuendawo kuroom kwake kunosiya handbag negogo dzake ini ndoendawo
kwangu kunosiya handbag yangu. Ndasvika Melo ari gada gada pabed yangu shuwa akatoita kurara
twukumbo twuri mudenga,kamwana kake kari paside, uku ari busy kuzorana nenail polish yangu,,,
imwe iri pasi ichingosiiwa ichioma.Mainge matove nedisorder netwo minutes idzodzo dzaainge
amupinda apo ndainge ndasiya ndachinja masheets angu kuseni kwacho tichienda kubasa ndipo
paitorutsira mwana wake mukaka waainge azvimbirwa nawo, iye kana kuzviona kuti mwana ari kurutsa
mukaka atove busy kuzorana necutex dzangu mutwuoko twake, ndakatozo shamisika worse ndichiona
box rangu randainge ndakapihwa naHenry kuti ndinovhurira kumba riye rakatovhurwa, apo inini wacho
ndainge ndisina kumborivhura ndaingoverengera ndichiti ndichazoona kuti munei. Ndakasvotwa fani
nekuti ndakaziva kuti ravhurwa naMelo, iko kushaya hunhu kuvhura zvisiri zvake nxaa,, ndakabhoikana
ini ndakatodemba kuti ko Charity abvumireiko kuti zviuye pano izvi? Ndakatarisa kuti ndione kuti maive
nei mubox muye ndokuwana muine ziphone zitablet rainge bhaibheri kukura necharger yacho
nechipower bank necard rainge rakanyorwa nyorwa zverudo pazasi ndokubva anyora kuti "From Henry "
ndakasekerera hangu ndakatarisa zvekuti hasha dzese dzekuitirwa disorder mumba naMelo dzakabva
dzapera. Ndakatozovhundutswa naMelo aakuti "bamkuru Henry vanenge vane cash kukutengerai
ziphone rese iri vanogarepiko�?" akadaro achisekerera ndikamuti"asi wabatwa nedhimoni rako
rekubvuta varume vevamwe ,manje uyu anotoziva kuti waakujucer saka pora hako hauhwine" akabva
aridza tsamwa ndikamuti kurumbidza kuburuka pamubhedha wangu nekamwana kako uyende kunorara
muroom isina munhu muno ndemangu naTadisa chete " Akabva asimudza kamwana kake
zvekubhoikana chaizvo ndokuramba akamira ndikamuti "dai wawandira panze,muno handide kukuona
pamwe watondibira futi zvinhu zvangu kare manje haubudi pagate apo mangwana ndisina kukuseacher
handiku truste" Akabva aridza tsamwa ndokubuda muroom mangu. Ndakangoti hamenooo, ndakabva
ndatosara ndichifonera hangu Henry ndichimutenda nekunditengera phone achibva ati "Its ok bbe but
wondiregerera pawrist watch iyo ndakangotenga handizivi kuti unofarira gold here kana kuti
silver?"ndakabva ndaziva kuti wachi yaitaurwa iyi yainge yatobiwa kare naMelo nekuti ndainge ndisina
kuiona mubox muye. Henry handina kuda kumuudza nezvazvo ndakangomuti "ndaiona yakanaka
chaizvo waita hako" Melo ndaisada kumubvunza, ndaida kuzomunyadzisa makuseni ave kuenda
ndozomu seacher mukabag kake ndaiziva kuti ndomayainge yavigwa,manje chaaisaziva ndechekuti
ndainge ndatoziva yese yainge yatambika,,,,,,,,

Manheru acho patakapedza kudya takatanga kuona hedu TV tese tigere, Melo achibva asimuka kuenda
kukitchen ndikaziva kuti aienda kunotsvaga chekudya che deset, taingonzwa madoor emafridge
nemacupboards kunzi bha-bha, ndozvandainge ndisingadi manje zvevaenzi vasina hunhu, ndakabva
ndasimuka pasofa pandainge ndigere ndokuenda kukitchen ikoko ndokuwana akatobata apple achida
kudya ndikamuti "kasira kusiya apple iroro waakuda kutoita kunge fridge and cupboards officer kutouya
kuzo seacher muno kunge unotenga zvinhu muno ndipe seaching warrant yacho tione pamwe
matumwa nevemutemo kuzoseacher zve" akabva adzosera apple riye mufridge ndokudzokera kunogara
kwaive nevamwe. Ndakaona Charity aakuseka zvikanzi "haa Melo naTalent makaita kumakana fongo
chaiyo" ndikamuti tichatomakana heavy kusvika agadzirisa hunhu hwake plus akajaidza mukanwe make
kuda kumuita muhotera manje hakuna izvozvo" Akabva amhidzura kamwana kake ndokunorara mune
imwe room maisave nemunhu apo muromo uri mumhuno ndikati ndezvako izvo.Takazoparadzana tiri
vatatu, ndokutakura mwana wangu tonorara....

Kwave kuma 4 kunze kwoedza ndakatanga kunzwa noise nechekure kure kunge munhu
aipopota,ndaisanyatsonzwa semunhu aive ari kuhope,ndokubva ndazonyatsonzwa voice raCharity kuti
ndiye aipopota asi ndaingonzwa achiti "manje wakapusa, nhasi ndiri kuda kukubvisa chiri kumeso"
Ndakabva ndamuka ndokuti regai ndiende kusitting room kwacho ndinozvinzwirwa, ndokuwana ari
Melo naCharity vainetsana ndikati "chii nhai Charity kuseni seni kuno?" zvikanzi "Tale zvako iwe,,
ndatanga kunzwa kamutsindo mupassage umu ndakarara ndokubva ndamuka zvangu pore pore
ndokunyangira ndichingoti budei padoor rangu ndabva ndaona kabesu kehembe yaMelo achinyahwaira
kuvhura door akabata kabag kake,ndokubuda ndichibva ndateera kwaakuzomubata panze achida
kukwira durawall kuti atize manje ndabva ndamuhaka asati ambodii apo ange asiya kamwana kake
muno" Munoziva ndakapera power,, Charity akabva ati manje nhasi kana riri demon riri pauri
dakukurova kusvika ramanifester.......

CHAPTER 42

Charity akabva ati "Tale pane tambo yemagetsi iri muroom mangu mudrawer enda unonditorerewo shiri
isati yabururuka iyi, ndiri kuda kuiratidza kuti ndiri urimbo, hapana anonanamuka pandiri kana ndada
zvangu" Melo wacho ainge angotsikitsira zvino, plus Melo zvekurohwa izvi, ndakatoona kuti aitya, saka
ndakanyatsokasira kunotora tambo yairehwa iye, ndokuuya nayo. Akabva anyatsoipeta Charity, zvekuti,
yakasara yakaita kunge chitrobho, chemombe chinogadzirwa nedehwe chiya. Akabva amuti "nhaiwe
Melo ndokumbirawo kuti undiudze kuti pano tiri 3 inin, Tale namother pane akakumitisa here wauri
kuda kusiira mwana wako?" Akabva aramba anyerere, ko Melo aida kuzviita muhard chaiye ka,,
akatoramba hake akagara pasofa paye akatsikitsira kunge mazamu emvana, uku kasatchel kaaida kutiza
nako kari mumaoko. Akangoerekana azamurirwa tambo yemagetsi kumusana naCharity zvekuti akaita
kuchuruka achinomira nechekumadziro akabata musana Charity achibva amuendera kumadziro ikoko
zvikanzi "iwe pindura iwe, pana baba vemwana wako here pano", apo aitodaro achimurova imwe
nechemutsapfu umu zvikanzi "haa iwe Charity unondikuvadza mhanhi chiiko newe?"Ndainge
ndakangoyeva hangu ndiri munight dress rangu semunhu ainge amutswa nemvonga mupopoto iyi.
Kuzomudaro Charity akabva awedzera kurova zvikanzi "uchiri kumbonditi Charity, ka uchazonyatsogona
kundirespecter nhasi"Akadaro achiwedzera kumurova netambo zvekuti ndainzwa kudedera paairohwa,
ndichinzwa kunge ndini ndairohwa. Mother, vakamutswawo nenoise iyoyi ndokuwana Melo achirohwa
zvikanzk "yuwii regai ndimbonoite lock the door munhu angaite run mukatadza kunyatsomubike mushe
mushe" ndakaseka hangu ndikangoti zvamother so. Akatanga kurohwa naCharity zvikanzi ndiudze kuti
pana Andrew here pano, wauri kuda kusiira mwana wako?" Akabva atanga kuchema zvikanzi "Charity
mhani uri kundikuwadza apo urimbwa yemunhu,apo akadaro achitoedza kudzorera nekachibhakera
wena. Charity ndozvaaitonzwira jinja zvetwuvanhu twunenge ana Melo twune nharo kudai. Akatanga
kumurikita kumusana nemumakumbo umu netambo iye zvikanzi "sisi Tale mune hutsinye mukurega
ndichiuraiwa nechishamwari chenyu ichi, ndokusaka chisingaroorwe ndiani anoda zigadzi rine hutsinye
kudai?" Apo zvese izvi zvaitaurwa munhu achizhamba. Ndakabva ndati"wedzera Charity achagona
kutaura hake, ndokubva Charity atanga kutinha munhu size tsvene chaiyo zvekuti taingonzwa kurira
kwetambo munhu achirukwa nayo. Akambotanga achishingirira, ndikazonzwa munhu aakuti "sisi Charity
kani mondiuraya, zvikanzi naCharity hausati wave bhoo ndofanira kukudzidzisa chidzidzo.Ainge
akungoyuwira zvino shamhu dzadhinda muviri wese ndokubva Charity azomusiya ndokuramba akati
gozwa pasi paainge agere.

Charity akabva amuti "chitiudza kuti panapa ndopana Andrew here wawange uchida kusiira mwana
wako, tokuitira zvingani kuti kukurapisa nekukuchengetera mwana wako?" Akabva aramba ari zii
zvikanzi naCharity "sick yakatopora ka waakuda kutoita zvekujamba madurawall kuti udzokere
kuchipfambi?" Ainge ave kungokwiridzira madzihwa misodzi ichibuda, and ndakanyatsoona kuti munhu
ainge aita kurukutika nekurohwa. Akaramba akanyarara Charity achibva amupa imwe mbama iri strong,
zvikanzi haupindure here iwe dongi ndati waakuda kudzokera kuchipfambi futi here?" Iwoyo mubvunzo
waisapindurika, ndakaona kuti Melo aitove nedhimoni chairo. Ndakabva ndati mother endai munotora
mwana wake muuye naye haasari pano ende Mwari vatomunyadzisa zvaange achida kuita zvaramba
kubudirira. Mother vakabva vauya nekamwana kaye ndokusviko gadzika pamakumbo amai vacho, Melo
wacho akangomubata zvekuratidza kuti haana kana basa naye zvikanzi namother "nyatsomuite hold
zvakanake anoite fall down mwana uyo haana chaanozive ba" Ndaitoshaya kuti Melo anofunga nepai
chokwadi,,,, aida kusiya mwana wake kwandiri kuti andipe mutoro iye achisasana hake achidya nyika
rutivi. Mwana wacho aisamufarira, asi ndiye ainge akamubereka, wotoshaya kuti saka ari kuda kuti
mwana wacho achengetwe nani. Nguva dzainge dzaakutofamba dzatove kuma to 5 dzekuseni, Charity
ainge agara pasofa zvino akayeva sisi Melo vakangobata kamwana kavo, misodzi ichiyerera. KaTadisa
kakabva kamuka ndokusvika musitting room mataive zvikanzi "ko imi muri kuchemei munhu mukuru ?"
Akangokandwa sizo naMelo, riye raitotaura rega kuti "basop waakuenderera" Tadisa zvemanyemwe
ndozvaaida manje zvikanzi "mama hona vari kunditarisa nemaziso avo mahombe manje handivatye,
vakanditswinya nzeve dzangu nezuro pandikavaona vari mumba mamama Charity vachida kuba"
Kakadaro zvako kamwana kangu, ndokubva kanyarara kakandizembera chigunwe chichiyamwiwa.
Paakataura zvekuba izvi ndakabva ndarangarira nyaya yewachi yangu yainge yabiwa naMelo ndokubva
ndati "Melo vhurawo ka satchel rako undidzorere wachi yangu mune zvakanaka" Akavhura maziso
kuratidza kushamisika ndikati "Melo hauna kana kumbongwara hako uri dzungairwa chairo zeeretsi,
zikiti chairo, unotora zvinhu zvisiri zvako sei? Akaramba akanyarara Charity ndokubva asimuka
ndokutora mwana wake waainge akabata ndokunditambidza zvikanzi "apa ndiri kuda kukurovera nyaya
yekuba, ndiri kuda kurova maoko ega ega iwayo" akabva atanga kumurova maoko netambo zvikanzi sisi
Charity kani chindisiyai wachi yavo iri mubag umu mirai ndivape" Ndakabva ndati Charity vhura wega
bag racho pamwe takatobirwa zvakawanda" Kuvhura kudai, takaona muine makeup kit yaCharity
yaaishandisa, nerimwe dress rangu raivemo nejewellary set yangu yandainge ndakapihwa pabirthday
rangu nevanhu vekubasa nemari ndofunga ainge aiba mumba maCharity nekuti inini mazuva iwayo
ndainge ndisina kana mari sezvo yainge yapera nekumubhadharira mabills ake ekuchipatara.
Takashamisika nazvo shuwa kuti munhu ainge atoba kudai, apo kuzoba zvinhu zvemicheno ndofunga
aida kunyatsokunopoda achipinda mubhawa. Akanyara zvisingaite zvikanzi naTadisa "hanti
ndakakuudzai mama kuti havaite ava ndosaka ndakatoviga zvidhori zvangu zvakatengwa nadady" Tadisa
aisagona kunyarara mwana wangu, ndoimwe tsika yandainge ndoda kugara ndichimurovera
iyoyo,yekuita chigamhira padenga nekuti ainge ave kutoenderera. Iye ainge angotsikitsira zvino,, nyadzi
dzainge dzomukunda zvino...

Ndakabva ndati mother, endai muroom maange akarara munotora madende ake neemwana wake,
hapana kake kanosara pano" Vakabva vanokukutana nemadende ake ndokuuya nawo ndokumakanda
paaive, ndokubva Charity atora zvinhu zvedu zvainge zvabiwa ndokupakira zvake mukabag zvikanzi
naCharity "chiita zvekusimuka uwandire panze nemwana wako tiri kuda kunogeza tiende kumabasa isu"
Akabva amuti "usambozvofurire hako kuda kutraya kuzosiya mwana wako kunze kwegate uko tisipo ziva
kuti nyika idiki iyi hapana kwaunombotitiza ukaenda unoswera wabatwa nemapurisa ukazoshuva
mafaro ese aunoda aya wave mujeri" Akabva aramba ari zii ndikamuti "iwe simuka apo ubve pano
nekamunhu kako ako uri kutotunonotsa kuenda kumabasa" ,, ko muviri wainge waibva neshamhu
zve,kusimuka kwainge kuchamboda here? Akabva aita kutatamuka achisimuka paainge agere
nekamwana kake, ndokubva akabereka kumusana nairwo rwutauro rwainge chikorobho
nekutindivara.Akatora kabag kainge kave nezvinhu zvake ndikubva tamuperekedza kunomusiya kugate
chaiko, ndokubva Charity amuti "enda nemwana wako usadzoke pano uri mbudzi yemunhu" Ainge ave
kunzwisa tsitsi zvino ndikabva ndamuti " ukasanwa maARV tiri kukuviga manje manje bhururu saka zviri
kwauri"Akabva aridza zitsamwa chairo rekwamai Azuka ndokutanga kufambisa akabereka mwana wake
kabag kari mumaoko apo aingofamba achiteedza road hameno kwaiendwa takangoti hamenoo.Takabva
tadzokera mumba ndokunogadzirira zvekuenda kubasa hedu,sezvo nguva dzainge dzafamba.

Ndakasvika kubasa Henry achibva afona zvikanzi "bbe ndichauya palunch kuzokuona, ndakusuwa
zvisingaiti" ndikangomuti horaiti. Charity ari kubasa akabva andifonera achindiudza kuti ainge atumwa
ku Bulawayo, kuti anotarisa kuti zvainge zvakamira sei, kune imwe shop yaiveko,saka akabva anditi
aizononoka kuuya saka zvaitoreva kuti ndaitozoenda kumba nemakombi ndikamuti horaiti. Pave palunch
ndakabva ndatotyora hangu ndiri mushop, ndichitaura nyaya nevasikana vandaishanda navo, ndichiitira
kuti Henry akangofona ndozoenda panze ndonomuona. Ndichiri kutaura kudaro, mukomana aiguarder
padoor akabva anditi ndiri kudiwa panze. Ndakabva ndangoziva kuti aive Henry zvekuti ndakanzwa
kufara zvisingaiti,ko handiti ndainge ndanyura murudo here nhai vanhu woye,, kutongofunga nezvezita
rekuti Henry hana yangu yairohwa nehana, saka ndakatofamba zvangu low low, ndichienda panze kuti
ndinosangana nemukomana ainge atora moyo wangu uyu. Ndichisvika panze ndakabva ndaona face
dzandaisatarisira, ndakangoti nechemumoyo, hey inga zvine nharo�

Vaive mai Fadzi namai Prince, zuva iri vainge vaita kuuya vari vaviri, ndofunga vainge vafurirana kuti
tinonno batsirana kumunyengerera kuti abvume kudzokerana hehanzvadzi yedu. Nechemumoyo
ndakangoti eish mazimbuya anopenga aya shuwa havandizive mushe mushe. Face yangu ndakabva
ndatoichinja, ndokupfeka yebasa chaiyo, ndokuenda pavainge vakamira vakazembera kamota kavo mai
Fadzi, kamota kacho kainge kadatya,kari kerudzi rwedovi, kari kafan cago. Ndakasvika hangu
ndokuvakwazisa mushe mushe zvine hunhu,ndikati "makasimba here ana tete" apo ndaitotyorera
kamuzura, kuratidza twuhunhu ivo vakaita kundisekera, ndakatozvishaya kuti ndivo vakadzi
vekumbondivenga here ava,, vachibva vati "tiripo muroora riri sei basa? Nechemumoyo ndakangoti
muroora waani manje ndiitirei mushe" Mai Fadzi ndovaida kuzviita vakangwara chaizvo ndokubva
vatanga, kumbokosorera zvikanzi "eh muroora tange tauya saana tete kuti tigadziri,,,,"havana
kuzopedza ndakabva ndanzwa voice remunhu wandaida richitaura nechekumashure zvikanzi "ko bbe
wangu ndipauri apa ndapinda mushop ndikakushaya, asi macustomer awakamira nawo here
ndingakukanganisei" ,, Aive Henry zvake aitotaura asina hanya, kuti ndainge ndiine vanhu vandaive
navo . Ndakaona ana sisi vaAndrew ava vaakungotarisana vachiratidza kushamisika nazvo, apo Henry
wacho aive atosvika padhuze, akatofa hake nemucheno achinhuwirira imwe perfume yekuti wainzwa
wega kuti mhino dzangu dziri kutapirirwa apa. Akabva auya kuzomira mudhuze neni chaimo,ndakangoti
ko Henry andifungireiko nhasi, zvikanzi "makadiiko ana mother vangu iri kudodii life��?" Ivo vakabva
vangodaira havo vari low low, apo vachitarisa Henry kubva kumusoro kusvika kuzasi.Ko aisashoreka ka
Henry, kana hanzvadzi yavo pari pachiso chaipo aidarikwa nekure naHenry, kana mupfekero wacho
Henry aive kumberi ndakaona mai Fadzie vaakutomuyeva vakamutarisa, zvekuti ndakaseka hangu
nechemumoyo ndikati mbuya yatapirirwa nedude iyi. Ndakabva ndakosora nhema zvangu, ndokubva
ndamuti "uri sei hako ko wasvika nguvai?" Henry wacho zvaaibva aita, zvaibva zvaita kunge munhu aida
kufinhura, but ainge asingazive kuti vaive vanaani,, ndokubva andibata ruoko zvikanzi handei kulunch
bbe wozodzoka uchitaura navo kana vari macustomer apo aitodaro achindidhonza kuti ndibve pandaive
ndakamira apa ndokubva ndati kuna mai Fadzi ndaakumboenda kulunch ndozokuonai" Ndakatodaro
ndichienda kwandaidhonzerwa naHenry ndokubva vasara vakangotatarisana mukoma nemunin'ina vari
pakamota kavo asi vakaratidza kusvotwa nezvainge zvaitwa naHenry izvi.. ndakangotiwo hamenooo ko
ndainge ndichiri nebasa navo here ini zvaana Andrew tainge tatozviburitsa mustaira,,, painge pave
neimwe new version yainzi Henry Moyo iyi,,, ,

Tichisvika pamota paHenry akabva atanga kuseka ndikatomboshaya kuti ko saka chaimunakidza chii
manje achibva ati "you know what bbe?" ndikamuti chii zvikanzi ndasvika mushop menyu
ndichikutsvaga ndikabvunza vamwe vasikana vange varimo kuti Talent aendepi zvikanzi ari panze pane
vakadzi two vamudeedza zvikanzi neumwe wacho dzinenge hanzvadzi dzeex husband yake nekuti vange
vachiti vakafanana neumwe murume akamborohwa mushop menyu imomo ndikaziva kuti ihanzvadzi
dza ex hubby wako saka ndatouya ndichizviitisa hangu nekuti ndaandichida kuvafizura hangu
havangambouye kuzotaura newe nezvehanzvadzi yavo ini ndiripo shaa " Ndakangoseka hangu ndikati
inga zvakakuomera zvikanzi "I love you Talent, ndatoona kuti ndikasanyepedzera kudzungaira ipapa
babe rangu ringanyengererwe nezvikadzi izvozvi ndikazviruza, saka ndange ndatouya kuzovhiringa vasati
vataura newe zvakawanda nekuti ndatonzwa jelous chairo pandanzwa kuti dzinenge hanzvadzi dza ex
wako. Ndakamutarisa hangu achitaura zvaaitaura izvi, ende ainge atondigonera nekuti havana
kuzoenderera mberi nezvavainge vachida kutaura. Akabva anditi uri kuda kudyei palunch pano
tinotsvaga tese?" Ko ndaisvoda svoda zve ndakangotanga kukakamira ndichashaya kuti ndotii iye
ndokuramba akandiyeva zvake ndokuzondibata ruoko zvikanzi pinda mumota babe tiende,
ndichazongoona kuti ndokutengerei nekuti uri kushaya kuti wotii" akabva andivhurira door rebenz yake,
ko ndainge ndoitwa kunge princess zve, ndainge ndakajaira kuzviona mumamuvies ndichingoti
zvoperera mukuacter izvi pa real life hazviitike,,,asi ndainge ndozviitirwa zvino. Ndakabva ndapinda
mumota ndokugara hangu, achibva asimudza mota, ndokutanga kudriver hameno kuti
ndaiendeswepi,apo masongs airidzwa imomo ndakangoona hangu kuti ndini ndairidzirwa zvekuti
ndakatanga kutoona ndiri kudenga rechinomwe chairo.Ndakatozovhundutswa naHenry ainge abata
ruoko rwangu zvikanzi "uri kufungei nhai Tale wangu,ndabvira kare kukubvunza kuti Tadisa wangu ari sei
ukaramba uri zii hako " ndakabva ndamuti hapana chandiri kufunga hangu zvikanzi please Tale kana
paine chiri kunetsa tell me I 'm ready to take any risk nekuti ndinokuda" Ndakakangoramba
ndakanyarara hangu ndichisekerera, zvekuti nechemumoyo ndaingoti ndinokuda Henry but kuti
zvizobuda pamuromo kuti ndimuudze zvaindiremera. Handina kuona kuti takasvika nguvai paive
neimwe reastaurant, yandakasvika pachidyiwa nevarungu pamwe chete nevanhu vatema. Ndakangoti
ndega Henry kwaakundiwuyisa kuno hakusi kwelevel rangu,ko ndaizvizivira kupi hangu,,my life was filled
with simplicity, ndaisaziva kudyira mumabig restarant akaita seaya ndainge ndakangojaira zvekudya
mutwuma restaurant twedu twaana Museyamwa twungori simple. Zvinaana fork and knife izvi zvaisave
zvedu ana Talent. Takazotsvaga pedu patakanogara,, but ndainyatsonzwa kuti munomu hamusi metype
dzinenge inini idzi. Eh paripo paunosvika pane imwe nzvimbo yekuti unonyatsoona kuti izvi hazvisi
zvangu mhani izvi. Waiter akabva auya pataive tiri nechipepa chainge chakanyorwa zvikafu hobho
hobho nezvimwe zvandaisatoziva kuti zviiko izvozvi. Henry hameno zvaakamuudza ini ndaitove busy
kutarisa hangu kanakiro kainge kakaita matainge tiri umu,apo vanhu vaingove two two kunge
mapiritsi,zvekuti ndakatombofunga kuti asi maisabvumirwa kupinda usina mumwe munhu,,, ndikazoona
kuti ayehwa dzaive hanzvadzi dzerudo dzega dzega,, ndakangoti hesi mhani ,inga ave malevels...pasi
parohwa nenyundo apa,,,,

Chakazouya chikafu chacho apo zvainge zvakangowanda wanda mundiro,dzainge rice dzine macolour
hobho hobho,masalads akangodaro daro apo nyama yacho yaiita kunge yaitapira ndakangoti nhasi
zvangu ndicharutsa ini ndikanyadzisa ko ndaizvizivirepi zvenyama dzinotapira kudaro, ndainge ndajaira
mubikiro wedu wataiita tiri two naCharity wangu. Ndakangodya mbichani ini zvaisambondiitira maybe
kwaisave kuziva zvinonaka zvacho...

Tave mumota kudzokera phone yangu yakabva yarira zvekutatidza kupera moto ndokubva Henry anditi
"ndipe ndimbosano kuchajira mumota muno" ndokubva ndamupa. Ichangoti chajei zvishoma yakabva
yarira kuratidza kuti pane aifona. Henry akabva atarisa ndokuona pakanzi Kelvin calling, haana
kumbonditambidza kuti ndidaire,akabva atoseka hake achiidzosera pacharger zvikanzi "kablaz kane
nharo wena aka, kanofunga kuti ndingakarege kachikutambisa iko kanhanha ikokaye apo kanoita kunge
kadiki kwauri futi, karikuda zibabe rangu" akadaro achifa nekuseka zvikanzi "twuvapfanha twamazuvano
kuda zvinhu, zvakamuomera,, ndichakabudira hangu ndikawana kachingo kuteeredza.Nechemumoyo
ndakangoti ari kuti kamupfanha, munhu wandaitomboti mukomana wangu. Henry aisave munhu
aikasira kuita hasha ndozvandaimudira, ari umwe munhu kungofonerwa nemumwe munhu uinaye,
nzeve dzinoita kumira kuita kunge zvikwangwani zvepamakuva kuri kuda kunzwa kuti ndiani afona iyeye
ndoda kana ari mukomana zvobva zvatonzi uri kundicheater,apo munhu haasati anzwa kuti ndiani
wawange uchitaura naye. Ko munhu hauchatoitawo shamwari dzechikomana here, haiwawo ko
kuzvisiya......

Ndakatoshaya kuti aideiwo pandiri Kelvin,, ndakabva ndaignowa achifona zvangu ndichiita sendainge
ndisina basa naye. Ndakazongotindozomufonera hangu ndave ndega ndichinzwa kuti ari kuda chii.
Pandainge ndave kuda kuburuka mumota ndasvika kubasa Henry akabva ati "ndange ndatokanganwa
shaa ndapihwa parcel yako natete vako hanti unozviziva ka kuti una tete vako vanonzi Lesly?" akatodaro
ari busy kutsvagana nekaparcel kacho mumota hameno kuti kainge kaiswa pai mumota macho.Akabva
azoswedera padhuze neni ndokunditambidza kabox zvikanzi "ndapihwa natete vako shaa hanzi enda
unopa gulez vangu" Ndakabva ndamuti "saka ndovaziva sei manje tete vacho kana usina kundiudza
nezvavo?" Akabva aswedera padhuze neni ndokundibhabhadzira pabendekete zvikanzi "sorry babe
wangu ndaingovarairwa kukuudza, variko tete vako anodzidza kuU.Z ndichazouya naye
pawikend.Ndakabva ndangoti "howo" zvikanzi "yes babe munhu wese kumba uko atori neshungu
dzekukuona" Ndakangonyemwerera hangu ndokubva apinda apinda mumota zvikanzi ndaakuenda
kumaoffices angu asi ndichapfuura ndichiona Charity Ndakabva ndamuudza kuti Charity haapo kubasa
maybe aizozodzoka manheru chaiwo" akabva ati "saka uri kuenda kumba nei nhasi?" ndikati
"nemakombi" zvikanzi "hapana zvakadaro, ndichauya kuzokutora toenda kumba haufanire kukwira
kombi, ndiripo" ndakangosmiler hangu ndokukanda kabox kandainge ndapihwa kaye muhandbag
ndokubva ndamuti ndaakuenda, achibva ati "horaiti achimutsa mota yake"

Ndichisvika ndakabva ndavhura kabox kaye,ndaisada zvekuverengerera ndopakuzotangirwa kuvhura


mapasuru nana Melo. Ndakaona muine kanecklace ndikaseka hangu, ko zvemanecklace ndaimbozvida
here ini, ndaisambozvida hangu kungoti chekupihwa haurambe. Chakandinakidza ndechekuti necklace
yacho yainge yakangofanana nedzimwe dzataitengesa mushop medu. Ndakabva ndangoikanda mubag
ndokuconcetrater nebasa rangu.Nguva yekuchaisa yakasvika ndokubva Henry afona zvikanzi undimirire
ndiri kusvika manje manje kuzokutora. Ndichiri ndakamira kudaro Kelvin akabva asvikawo nemota yake.
Ndakangoti ko ari kudei ko wo uyu futi. Akabva ananga pandaive zvikanzi "ndambouya masikati usipo
ndange, ndauya kuzokuona ndakusuwa hama yangu" ndakabva ndamuti "ndiribhoo hangu ari seiko
musikana wako" ndakadaro ndichida kutsvaga nyaya hangu,,zvikanzi "zvipikowo ndakasiyana nazvo ini
hanti ndakakuudza kuti ndiri kuda kumuramba plus ndiwe wando..."haana kuzopedzisa Henry akabva
asvika pataive achibva aita zvake zvekufinhura zvikanzi "babe ndauya kuzokutora handei" Akatodaro
hake achisvika pandaive zvikanzi"hesi kani mupfanha Kelvin" iye Kelvin wacho akabva ati "ndiribho muri
sei vakuru?" zvikanzi ndiri bhoo mukuita seiko nebabe rangu mudhara?" Akadaro achisekerera hake,
zvikanzi naKelvin "hapana hangu Tale ishamwari yangu chete ndange ndangouya kuzomuona " zvikanzi
"haa fine mudhara hapana kuipa, kungoti ndinodzoka ndotya kuti babe rangu ringaende ndiripo"
Akadaro hake asina kana hanya Henry. Ndakangoti zvakaoma shuwa,, apo Kelvin wacho aitoratidza
kusvotwa size tsvene. Ndakangotiwo hamenooo,,, Ndaka bva ndaudza Kelvin kuti "ndaakuenda ini"
ndokubva ndafamba ndokufamba ndichienda kumota kwaHenry,, ndokumusiya akangozembera mota,
yake hake achiratidza kufizurwa chaizvo. Ndakabva ndaenda kumba naHenry tichitaura nyaya achibva
azondisiya pagate. Akabva anditi enda unodeedza Tadisa ndimuone ndisati ndaenda. Ndakabva
ndanomutora ndichibva ndauya naye.Akafara veduweee mwana wangu paakaona Henry kuita kunge
aona zviwe zvinhu.Henry wacho akabva amusimudza zvikanzi "uri sei mwana wangu" zvikanzi "ndiri
bhoo ini asi hamuna kuuya nezvidhori here nhasi ?" Akabva aseka hake zvikanzi nhasi zvidhori handina
zvikanzi "saka mawuyirei kuno musina zvidhori dzokerai" Haa mwana wangu aitaurisa ndakasurrender.
Akazomuburitsira machocolates ndokumupa zvikanzi "yaa ndosaka ndichikufarirai " Iii mwana wangu
aida zvinhu kunge Melo.Ndakaseka hangu achibva azomugadzika pasi oenda hake, isu ndokupindawo
mugate medu...
Charity akazouya tarara zvekuti ndakatozomuona kwachena. Melo hatina kana kumbonzwa nezvake
hameno kuti ainge aenda kunogara kupi nemwana wake, takangoti hamenooo... Kubasa ndaienda
naCharity wangu, uyuwo Henry aipota achiuya kuzonditora tichienda kulunch, Rimwe zuva ndiri palunch
ndakatomira naHenry, Andrew akabva asvika ari mugear rehasha chairo achisvikobata Henry colar
zvikanzi "uri kudananirei memukadzi wangu ?" ndakangoti hezvo nhai Mwari, hausi muyedzo here uyu.
Ainge akatakura kabag. Henry wacho aive murume chaiye akabva amuzunza muzunziro chaiwo kabag
kaye kachiti gunduru kwakadaro ndokubva mabuda kagaba kemapiritsi achibva arasika pasi..
Pandakamatarisa ainge akafanana neainge akambopihwa Melo kuchipatara. Akanyara veduweee
Andrew ndakangotarisana hangu naHenry,iye akati tumbi akatarisa kabag kake kaive pasi. Ndakabva
ndamaziva kuti aive maARV eAIDS aye........

CHAPTER 43

Akanyara Andrew zvekuti dai nyadzi dzainyunguditsa, aidai akasara ave mvura chaiyo. Ndakatoshamisika
kuti Andrew aito jucer hake nhai. Ndakabva ndamuti "nhonga mapiritsi ako ayo ubve pano handisi
mukadzi wako ini" Akabva ati "mai Tadisa shuwa ingandidar...." ndokubva ndatomugamha asati apedza
kutaura ndikati "✋�enough Andrew, saka wauchituma ana sisi vako kuti vandinyengerere undizore iyo
AIDS yako iyoyo?" Akabva aramba ari zii ndikati "nhonga kanhava kako shaa uende kwawaiitira mafaro
ako handidi kana kukuona plus uzvizive kuti handisi mukadzi wako��" Akabva aramba ari zii hake
akangoti tumbi. Henry ainge akamira hake akatarisa Andrew achibva azoti " mudhara imimi
monombozviedza ani chaizvo, munongosvika muri mugear rekuda kurwa,saka kana makazvitarisa
mungandirove mukandigona here?" Andrew zvekurova izvi aisatozvigona ndaimuziva, aingongwarira
pakutaura, plus ainge apera zvisingaite akabva aramba ari zii ndokukotama kwakutanga kudzorera
napiritsi aye mubag, ndofunga aifambwa nawo hamenooo. Zvinhu zvine manyemwe zvamumoona,
zvinhu hazvidi vanhu,akati Vharazipi.Iwo mapiritsi ainge adonha iwaya ndiwo akazonyatsoku dzikamisa
Andrew,, ndokubva ndati " hesi mhani, ndokwamakazosvitswa nawo mafaro uku, makurwara
ndopawakuuya uchiti pwetere pwwtere kwandiri manje.?" Akangoramba achihorera mapiritsi ake
ndokumadzorera mubag ndokungosimuka kwakutotanga kufamba kuenda, hameno kwaiendwa, baba
vanhiya asi ndakanyastoona kuti Andrew ainge apera. Ndakatanga kufunga kuti saka Henry ari
kundifungira chii manje nezvainge zvabva kuitika izvi?" Inin ndainyatsoziva kuti AIDS ndoyandainge
ndisina manje, and Andrew kubva zvandakasiyana naye ainge ongoita zvekuchinjanisa vakadzi saka
zvaisanyanyoshamisa kuti anzi ane chirwere. Ndakatotanga kufunga hangu kuti saka Henry aindifungirei
manje ipapa. Ndakatozoita zvekuvhunduka Henry andibata bendekete zvikanzi "babe is everything ok?"
Ndakangokwanisa kubvumira nemusoro chete kunge chidhambakura zvikanzi "ndiri kuziva zvauri
kufunga right now please stop thinking about it I love you Talent, Mwari vakandisanganisa newe
tisingazivane and vane chinangwa nazvo,and I believe in God kuti hauna chirwere so why are u
bothering yourself nhai Tale?" Ndakangoramba ndiri zii zvangu achibva anyatsonditarisa mumaziso
zvikanzi I will never leave you Talent hande ndinokutsvagira chekudya" Akabva andivhurira door remota
yake ndokupinda hangu ndiri low low ko ndainge ndabviswa mugood mood yangu naAndrew
akangoerekana anyuka kunge mhute....

Iye Henry wacho haana hake kumbo zvitsvaga akabva atotanga kuridza favourite song yake yaive
nemashoko aye ekuti you are my darling forever mybe aida kuti ndisanyanyofunga zvainge zvabva
kuitika. Takanodya achibva anondisiya kubasa zvangu. Pandaishanda pese ndaitofunga kuti ndaifanira
kunotestwa blood rangu nguva ichiripo, nekuti zvainge zvabva kuitika izvi ndainge ndisasazive kuti
ndimire papi nekuti ndiri umwe wemunhu ainge akambogara naAndrew tichisangana semurume
nemukadzi saka ndainge ndisisazive kuti chirwere ichi akagara ainacho here kana kuti chakazouyawo
tasiyana nekuti hazviziikanikwe ka unogona kutogara nemunhu achinwa hake mapiritsi ake iwe
usingazive, asi pfungwa dzangu dzaindiudza kuti chirwere handina hangu and hana yangu
yaisatomborova hayo saka ndaitoziva kuti ndiri safe,asi ndaida kuzonyatso gutsikana ndatestwa kuti
ndigare ndichiziva. Ndiri pakati pekufunga kudaro ndakabva ndafonerwa nenew number ndokudaira
hangu ndikati "haloo ndiani wangu uyu?"munhu wacho akatodaira achiratidza kufara zvikanzi "uri sei
mukadzi nditete Lesly ndangoti rega ndinzwe kuti mukadzi wedu ari sei ndichauya na Henry pawikend
kuzokuonai nekuti ndakaratidzwa mapictures enyu, but ndiri kushaya kuti ndaka mbokuonai kupi nekuti
face yenyu haisi nyowani" Ndakaseka hangu ndikati "muri kungofananidza tete I 'm sure hatizivane"
zvikanzi "hoo kuti kudaro nhai?" ndikati "yagh" Takabva tataura zvimwe ndichivabvunza kuti aive sei
mabuk kuuniversity kwavaive,vakati zvaive bhoo hazvo,apo kamutauriro kacho ndakanyatsoona kuti
tete vangu ava vanenge vaive musalad havo.... Vakazocutter havo phone yavo vachibva vati vaizouya
tosangana mutown pawikend ndikati pakanaka....

Ndakazoudza Charity tiri mumota nezvaAndrew, nezvese zvekudonedza mapiritsi akati "inga
zvakaoma,ndozvaaida Andrew " Ndakatomutipirawo kuti ndainge ndafunga kunotestwa akandiseka
hake zvikanzi "wabatwa nefear of unknown ka don'nt worry hapana chinomboitika inga tese tese
tinotonyatsoziva kuti Andrew ainge ave kupinda pinda saka hapana chinonyanyoshamisa zvimwe
chetezvo naMelo ainge ave kuita zvechipfambi zvatinoziva tese tese saka hapana chatingato
mbovhunduke"Ndaizviziva hangu kuti chirwere ndaive ndisina,saka ndakanyatso kupora hangu.Maybe
Mwari vainge vatokasira kundibvisa pana Andrew vaitoziva havo kuti ndaigona kuzoasangàna nazvo
mberi,ko handiti Mwari vanoziva zviri mberi kwedu here nhai vadikani.Henry ndaifunga kuti achatotanga
kusuduruka pandiri asi aitondisimbaradza zvinova zvinhu zvisingagonekwe nevakawanda pakuti AIDS
inotyiwa zve iiih,,,,,,
Wikend yakasvika tete Lesly hanzvadzi yaHenry vachibva vafona zvikanzi handichakunde kusangana
nemi this weekend sezvo ndiine maassignments akawanda,saka ndokuonai next weekend" ndikati
hapana chakaipa tete, mazuva mazhinji, tichazongoonana ipapo pamunenge muri free" Hameno
chaingondipa nungo dzekuvaudza kuti vanditumire mapictures avo nekuti paprofile pavo vainge vakaisa
log rekuchurch kwavo kuZAOGA, ndakangoti ndozovaudza vondipa, ndaida kuona hanzvadzi yemurume
ka veduwee apo ndivo vaive tete vari one kudaro nekuti Henry ainge akandiudza kuti mumba mavo
vaive vari 3 chete, iye nebrother yake Hillary ainge abva kuchata mwedzi mishoma yainge yadarika
kozoita tete vangu Lesly avo vainzi vainge vave musecond year kuUniversity of Zimbabwe kwavaiita
Human Resources Management. Tete ndovandainge ndasara kuonana navo kuti tizivane nekuti
pamuchato painge pakawanda vanhu plus ndainge ndisati ndaakunyatsowirirana naHenry saka hapana
maziviro andaivaita. Gulez nabamkuru vekuchata ava,taingotaura tese pamafon sezvo vainge vave
kugara kuSouth Africa uko kwavaiitawo zvemabusiness avo. Vainge votoziva kuti kuna mainini Talent,
zvekuti ndaigaronzi "chiitai muroorwe mainin tigarire padhuze semhuri muchibikirawo munin'ina wangu
kwete, jabvujururu dzaanobikirwa naLesly kumba uko" Vaitaura bamkuru vangu ava nagulez zvekuti
ndainyatonzwa kusununguka ndichitaura navo pafoni,,,

Wikend yacho, Henry akabva afona zvikanzi "please huya nemwana wedu mutown, ndopandinoto
spender time naye ipapa" Ndainge ndichida zvangu zvekuzorora weekend iyoyo ini,ko hanti mutown
macho ndaingomupinda evryday ndichienda kubasa saka ndaida kumbospender time, ndiri pamba
nemwana wangu.Ndakazongobvumira kunyara pakuti Henry ndaimuda zvangu ndaisada kuti
ndimurwadzise nekuti aida Tadisa zvisingaiti zvekuti baba bacho handifungi kana vaimudawo zvakadaro.
Charity akanditi aida kunoonana naCharles nevamwetete vake, vaigara kuGreencroft kuti vanotanga
kudisscusser zvewedding preperation nekuti mazuva ainge afamba plus zvinhu zvinoda kugadzirirwa
nguva ichiripo.Takazoparadzana ini ndoenda kunosangana naHenry aida kunoonana naTadisa wake,,apo
munhu wacho kungwarisa kani ndokwaindifizura dzimwe nguva,, mwana wangu ainge akangwarisa
veduwee,ndaitonyara.Ndakabvunzwa kasingapere mukombi muye, zvichingonzi saka tiri kuenda
kuzvidhori futi here?"Ndaingoti ehe ndichingobvunzurudzwa nezvimwe zvisina basa rese kusvika
ndazomuti ukaramba uchitaura ndaakukukanda panze nepahwindo rekombi,ndokuzoti zii kwaakaita ave
kuyamwa chigunwe pakuti ityawo kufa samainini vake Melody. ..

Ndakasvika mutown ndokusangana naHenry,, Tadisa paakanomuona akatanga kufara mwanawangu


kunge benzi ranona paperbag yemapito. Iye Henry wacho ainge omuziva kuti shasha yangu haisi
yekungodhumira usina chawakabata akabva amupa masweets ndokumugadzika mumota,achibva auya
pandaive ndiri zvikanzi "waita basa babe wandivigira mwana wedu,ndiri kuda kuenda naye kuChina Mall
kuti anospender time yake achitamba nevamwe ikoko" Akabva andivhurira door remota, uyo waive
mutemo zve ndainge ndotozviziva. Akabva azopindawo ndokutanga kudriver, achitaura nyaya zvikanzi
"handidi kuti Tadisa ashuvire dady ndiripo shaa ndosaka ndichitrier kumufadza kudai"
Ndakangosekerera hangu zvikanzi "Sure babe, both of you,, you are my responsibility" Akatodaro hake
achidriver mota yake ari serious kuratidza kurevesa" Chandaingogona kusekerera chete,akasvika
pakunditi "Tale shaa hausati wambondiudzawo kuti Henry I love you asi haundidi here babe?"
Zvekuudza munhu kuti I love you izvi ndaisangoda kuzvitaura, pese pese and pandaizvitaura ndaitaura
ndichirevesa kwete mamwe maI love you anongoitwa nevanhu efake, zvekuti munhu akagadziriswa
musoro nemukomana kana kuphihwa mari ndipo paanotaurira mukomana kuti I love you,,, ko tozviziva
ka,, marelationships mazhinji anosimbadzwa nekutengerana otherwise,pasina izvozvo anenge pachitonzi
hapana rudo apa.Mukomana haasi doner ka wekungoswerera kukupa mari,,,,,,,,

Tadisa akaswera achitamba mwana wangu,zvekuti kana dady vake chaivo vaisambofa vakamuwuyisa
kuChina Mall nyangwe zvikanzi zuva rabuda nekupi zvezvichitonzi kutambisa mari.. mwana
anombodawo kufara nevamwe mufunge. Ndainge ndakagara hangu pedu tega naHenry achingotaura
nyaya. Akabva andibata maoko zvikanzi " evry morning pandinomuka, ndinotanga kuona vision yeface
yako,and ndinotanga kungofunga nezvezita rekuti Talent,ndosaka ndichikufonera evry morning
pandinomuka"akadaro akanditarisa mumaziso chaimo, ndokubva ndangoerekana ndati "I love you
Henry" Akasekerera hake mwana wemunhu zvikanzi I know kuti unondida, Talent,but ndaishuvirawo
kuti undiudze nemuromo wako zvawaita izvi nhasi" Takaswera tiri mudziva rerudo zvedu vana
vevanhu,kaTadisa kachitamba.Zuva iroro ndainyatsonzwa kufara ndiina Henry zvekuti ndaingoyemezeka
zvangu kunge chisikana,ko kutyei,,,,, Takazotora Tadisa tave kuenda kumba,kana iye ainge aneta
nekutambawo.Yaitove garoziva,uti mmndaitozono somiiwa pagate chaipo naHenry,saka takananaira
zvedu tiri mumota tiri vatatu kudaro. Tadisa kaive kumashure kari busy kudya yoghurt yaainge
atengerwa naHenry apo yaidyiwa munhu achiita kunge ambonyudza face muchigaba nekuti face yese
yainge yakazara hameno kuti aidya sei,Henry akaseka hake,zvikanzi "siya so"........

Mangwana acho takaenda kuchurch nCharity samazuva ese hedu,,ndokuzodzoka tichiayina hembe
dzedu sezvo mangwana aitevera acho raive zuva rebasa.Mother taisada kuvapa basa rekuswerera
kuayinana nehembe dzevakadzi vakuru kudaro saka taibatsirana naCharity ivo vakagara havo, ko
vaivewo munhu ka vaitodawo kuzorora plus vaichengeta Tadisa nekunomutora kuchikoro kwake
masikati ega ega saka taimbo vazorodzawo weekend.Monday yacho ndiri kubasa ndakaona Melo
achipinda neumwe mukomana mushop medu vakaita kubatana muzvino umu,ndikati hesi mhani,sisi
vakadzokera kuchipfambi apo ainge akapoda mupodero wake chaiwo hameno kuti mwana ainge
asiiwepi,ndakato nzwira hangu mukomana iyeye tsitsi nekuti ana Melo vainge vaakutongotsvaga
vekuzora chirwere zvake.Aiita kunge aida kundisvotesa , ndakangotarisa hangu, achibva atengerwa
akare manecklace nemhete,hameno kuti ndiani akati kutengerana jewellary ndolove. Kwaingove kupoda
hake but ainge akapera zvisingaite ndakangoti mukomana uyu, achafira mahara zvake,anaMelo
ainge ,atove makuva aitozvifambira zvawo. Handina kuda kutaura naye hangu ndakangoita
sendaisamuona apo iye aiita kuzvinetsa nekucheuka cheuka kuti ndimuone.Ndakangoti hameno ikoko
regai vambofara, sick yainge isina kunyatsomurwadza,

Palunch Henry akati aive busy nebasa saka aisauya. Ndiri padoor kuti ndinobuda kunotsvaga chikafu
ndakabva ndadeedzwa neumwe musikana ainge akamira pamota yake yainge yakanaka naka so iri prado,
ndakatoshaya kuti aive ani ko iyeye nekuti yaive new face ndakabva ndaenda paaive kuti ndinzwe kuti
aive ani. Aive munhu ainge akanakawo zvaisashoreka, akapfekawo formal kuratidza kuti aive musikana
aitoshandawo basa rinenge riri nani kutodarika rangu nekure times 4. Ndichisvika paaive akabva
angotanga nekunditi"Hesi Talent��"apo akatodaro achitambanudza ruoko rwake achisekerera
Ndakatoshamisika kuti ko sisi ava vaindizivirepi�Ndakabva ndati ndiri bhoo makadii henyu
ndichitambanudza ruoko rwanguwo. Akabva ati usashamisike hako ndokuziva zvakanyanya,ndoitwa
Liosa ndini ndaimbove musikana waHenry, asati ave kudanana newe" Ndakangoti nechemumoyo, zvazvii
futi zvaakuda kuitika pano nhai Mwari? Akabva aramba akanditarisa hake zvikanzi "usatye Talent,
handina kuuya kuzoita hondo newe hangu, Henry akandiramba tichinyatsodanana bho bhoo zvekuti
akabva angondiudza kuti tichisiyana nekuti awana chaiye waanoda kuroora and panguva iyoyo handina
kuzvitenda ndaiti ari kutamba kusvika ndazoudzwawo neimwe friend yangu nezvako ndokubva
ndamuteera musi wesataday zvangu ndichimuteera kumashure kwemota yake netax kusvika paakauya
kuzokutora uine kamwe kamwana so kamusikana mukaenda kuchina Mall kunotambira vana
uko,,ndaive mumashure hangu ndiri mutax yandainge ndahire ndichikuonai zvekuti ndakatombo chema
ndichikuonai magara muri two muchifara kuti shuwa Henry angandidaro munhu wandave ne2 years
ndichidanana naye kubva achiri u.K ozondirasisa nhasi?"Aitaura akanyatso nyorova hake zvisina noise
mukati zvekuti ndakatotanga kumurwadzirwa kunge ndaive ini ndainge ndaitwa kudaro.Akabva atanga
kutaura futi ndisati ndapindura zvikanzi "I 'm happy for you Talent and chandingango kwanise kukuudza
ndechekuti Henry munhu ribhoo though hangu zvakambondirwadza asi ndiri kufara kuti Mwari vakaita
kuti tisiyane vainge vaona kuti we were not destined for each other saka handina kana problem newe
Talent and handaimanikidzira munhu kuti andide iye moyo wake uri kuna some one and ndakaona kuti
ainyatsofara ainewe saka ndangouya kuzokuudza kuti Henry mude nemoyo wako wese he is a good guy"
akadaro akayangamara misodzi mumasizo zvekuti ndakanzwa tsitsi and she was very humble paaitaura.
Ndakashaya kana chekudaira achibva ati ndaakuenda Talent, ungazononoke kunodya" Akatodaro
achivhura door remota yake ndokubva ndangogutsurira achibva apinda ndokumutsa mota yake,
ndokundi wevhera ruoko aakuenda,ndokusara ndakamira hangu ndichifunga kuti saka Henry ainge
akaramba musikana musvinu kudaro ane twunhu twake achida inini mvana zvayo ine bonus ye mwana
pamusoro,,, ndakangoti hameno maybe kuronga kwaMwari.......
Henry handina kuda kumubvunza, ndakangoti ndichazomubvunza hangu later. Taingoonana hedu
achiuya tichienda kulunch zvinhu zvichifaya. Weekend yacho akazoti ndiuye kutown kuzosangana
natete Lesly. Ndakaenda ndega this time ndakasiya Tadisa.Ndakazofonera Henry kuti ndasvika achibva
anditi ndimire aizouya pandainge ndiri natete. Pavakasvika Henry ndiye akatanga kuburuka,ndokuzoona
maakubuda kamusikana ndikaziva kuti ndivo tete. Pavakabuda vachiuya ndakashamisika ndichiona face
yatete vangu ava nekuti ndakabva ndarangarira pandakavaona........

CHAPTER 44

Vaisekerera tete Lesly vachiuya kwandiri ini zvino mupfungwa mangu ndaive busy kuzvibvunza mibvunzo
yandaishaya anopindura kuti saka zvinhu zvacho zviri kumbofamba sei. Ndichiri busy kuzvibvunza vakabva vasviko
nd imbundira vazere nemufaro,Henry ainge akangotarisa hake achisekerera tete nemuroora vaifarirana ava. Ini
ndaingosekerera hangu asi pfungwa dzangu dzaitonetsekana hadzo. Vakabva vati "zviri sei mukadzi inga
takatsvagirwa mukadzi akanaka naHenry" ndakangoseka hangu ndikati "munofara here tete kari sei kalife?"
zvikanzi "Aagh kalife kari bhoo wena kungodaro daro mabhuku ari kurwadza aya" ndisati ndapindura vakabva vati
"but face yenyu haisi nyowani iyi ndoita sendakambokuonai somewhere" vakadaro havo vakanditarisa vachitrier
kuremember ini ndaitoziva hangu patainge takaonana ndaida kuti varangarire vari ivo. Phone yaHenry yakabva
yarira achibva asuduruka kuti anodaira ari nechepaside, nekuti pataive natete paive nenoise aisambonzwa plus
taitaurira pamusoro. Vakabva vazoti "right ndazoziva, ndakakuonai mune this other shop inotengesa jewellary
ndiine umwe muface wangu so aagh ndandichitoshaya kuti ndakakuonai kupi"Aagh pavakataura zvekuti ndiine
muface wangu ndakarohwa nehana nekuti ndakabva ndaziva kuti ndi Andrew chete. Ndakabva ndaita sendaiedza
kufungisisa hangu ndichibva ndati "hoo paya pamakauya naye akakutengerai necklace so?" Zvikanzi "yaah ipapo
gulez, ndonecklace yandakazokupai nekuti ndaiifarira zvisingaite necklace yoyo sezvo yakatengwa nemunhu ari so
special kwandiri even though ndichimbomudhumanisa netwuvapfanha tweku university uku, but ndomuda hangu
kungoti handigone kuita mukomana 1 gore rese kunge calender" Vakadaro vachifa nekuseka havo, zvekuti
ndakanyatsoona kuti mwana wemunhu aive murima hake pasina kana chaaiziva. Ndisati ndapindura Henry akabva
adzoka pataive ndofunga ainge apedza kutaura paphone paaive saka takabva tachinja nyaya, ko dzaizotaurika here
ivo bhudhi varipo...

Henry akabva amira mudhuze neni akandibata bendekete zvikanzi "babe ndakuvigira katete kako aka ndiko
kandakasiira ikaka " akadaro achiseka hake,zvikanzi "gulez muri kuona ka kuti murume wenyu ari kundishora
kunditi katete ini" Vaive vateedzani havo ndosaka vaijairira kudaro.Ivo tete vaideserver kunzi katete zveshuwa
nekuti vaive nebody diki, asi vaive vakanaka chaizvo vaine ganda remari zvekuti vachifamba wainyatsoona wega
kuti munhu akawota wota, pamwe ndohusalad hwacho hamenooo... Pavakandimhoresa chaipo ndakanyatsonzwa
kupfava kwemaoko avo zvekuti ndakanyatsoona kuti hadzisi type dzedu dzekukurira kwaRuocha tichikwesha
mapoto ealluminia nejecha zvekuti inosara yaakupenya.Ndaitorwadziwa hangu kuti Andrew wavaiti muface wavo
uyu aitove murwere hake,ainge atoneta nekujucer hake.Ndaisaziva manje kuti vainge vasati vamborara vese here
nekuti vasikana vekuma university ava vanonetsa kunzwisisa plus mazuva ano zvaakunge zvecompetition ka
zvekurara nevakomana izvi zvekuti ukatozivikanwa kuti uri virgin nemafriends ako unogona kungosekwa kunzi
wakableya zvekuti unotoita fuza kunzi honai idzo dzichiri kungozviti virgin mukore wataakurarama uno, iwe
wotonzwa kunge uri kurarama hupenyu hwekusarira kusvika waakuitawo zvisiri izvo.Imika,, zvitori nani kurarama
kalife ikako kanenge kekusaririra ko unofa here nekunzi wakasara......

Takatanga hedu kutaura nyaya tichiseka but moyo wangu waingorwadziwa nekuti ndaishaya kuti ndoudza tete
vangu sei kuti Andrew wavo haaite zvamuchose nekuti vaizadzwa havo chirwere.Ivowo tete vangu ndakatoshaya
kuti saka vainge vasingaoni here kuti munhu wavo haasi mukomana,,, pamwe pacho zvoda kugara uchinamata kuti
Mwari vatipe meso ekuona mhani, kwete kuti unongosangana nemunnhu ka1 maakutodanana ipapo kana
kusangana nemunhu pagroup rewhatsapp maakutodanana,,, iiih vanhuwee tsika idzodzo ngadzipere, ngatisade
zvinhu kudaro,kana mukomana wako uchida kungonzi musangane Mwari vanongoita kuti musangane chete
neimwe nzira kwete izvi zvekuswero vhimana pamawhatsapp group, pekungoti unongoona profile picture,, ko
kana risiri rake, ko kana ari baba vemhuri saana Andrew?" imika, vakomana havapere ava vakangozara
nenyika.Tete Lesly havana chavaimboshaiwa kumba kwavo zvekuti ndakatoona kuti kuita vakomana hobho uku
kwavaitaura kwaive kuteedzera vamwe manje ari saAndrew aitove guva hake plus aisatombooneka kana ka1 kuti
munhu anorwara zvekuti pamwe dai asina kudonhedza mapiritsi ake zuva riya ndaisambofa ndazviziva.Ndaitoda
kuti tete vangu ava vabude mumukanwe mamupere mavaive vari umu asi ndaishaya pekutangira plus dai Henry
aizozviziva kuti Andrew aidanana nehanzvadzi yake aizonomurova chaizvo nekuti pakadonha mapiritsi zvaive
mumaziso ake.Takazo notsvaga chikafu ndokudya tiri 3 kudaro.Rakave zuva rakandinakidza chose ndiina tete Lesly
zvekuti dai wainge usiri musi wekutanga kuonana navo, ndaivaferefeta nezvaAndrew kusvika ndaziva zvandaida
kuziva.

Ndakasvika kumba ndichiudzawo Charity kuti tete vangu vaive musikana waAndrew akashamisika nazvo
ndikatomuti ndoiripo hapana yekusetter. Tainge tave muna November Charity naCharles vainge vave busy
kugadzirira zvemuchato wavo waiveko musi wa22 December.Uyo muchato taisashaika zve ko handiti ndini ndaive
sahwira wake here.Ndainyatsoona kuti umwe wangu aifara chokwadi, ko zvongofadzawo ka mufunge,, ainge ave
kuda kutopinda mu 27 years akangozvichengeta hake. Vamwe mukatoona munhu asvika ikoko asati arorwa
munenge maakutoti munhu achembera, kana kuti ane munyama. Hakuna zvakadaro,, its just a matter of time
chete. NaHenry takazenge taakudanana zvino kana maI love you andaimbonyara kutaura, ndainge ndomataura
zvino kuna Hennry zvekuti tainge tajairana, zviri zvekurara tese ndainge ndamubudira kare kuti hatitambire
kunonyudza kudaro . Ko kurara mese hakusiko kudanana zve nhai, unenge uchitotambiswa ichifunga kuti ndorudo.
Ndaive ndisiri musikana zvangu asi ndaisada kuzvichipisa kudaro kuti wandadanana naye wese ndotomukumurira
hembe. Itsika yakashata iyoyo vasikana,, hembe ngadzibviswe pakugeza chete, nepakuchinja, kwete zvimwe
zvamunodzibvisira kunze uko. Isu tinenge tisingaoni hedu , but Mwari vari kumusoro kudenga vanoziva nekuona
zvese!!!

Chinhu chikuru chandaida ndechekuti tete Lesly vasiyane naAndrew zvamuchose. Zvino ungabve watosviko udza
munhu kuti siyana nemunhu uyu anojucer here. Zvinodawo kuudza munhu nehungwaru,nekuti munhu anogona
kukufendera akafa,, vamwe vanhu havana hana dzakadzikama mufunge,, unotaurawo zvinhu mune zvakanaka,
kwete kumuudza uchimutyisidzira zvekuti anopedzisira aovereacter. Tainge towirirana natete vangu zvekuti
ndainge ndovapinda mbichani mbichani saka ndaigona kuzobudirira pakuvaparadzanisa naAndrew, but zvainge
zvakaoma nekuti pavakomana vavo vavaindiudza vaitoratidza kuti Andrew ndiye aidiwa zvinenge zviri nani apo
vaitofunga kuti mukonana wena. Ndaingoti Mwari itai kuti mukombe uyu wechirwere udarikewo aunt vangu ava.
Zvainetsa futi kuziva kuti vainge vasati vamborara vese here nekuti Andrew aisave nematyira, kana aimbokwanisa
kurara naMelo ndiripo inin hapana chaaizozeza pana Lesly plus kumwe kuwota wota kwainge kwakaita tete vangu
ava vaitoratidza kuti vaisambonetsa kunyengerera havo pamwe pavakomana vese hapana ainge asina kurara navo.
Vainge vakanaka saka ndaitoziva kuti vakomana vaitodhumaniswa chete,, and mukudaro ndomukuzosangana
nana Andrew zvavo vanenge vakangwara vachinwa mapiritsi emukondombera vari zii zvavo,, ko munhu
angakuudze here kuti babe ndinokuda but ndinorwara" ndokusaka pachidiwa kunamata, kuti Mwari ndipei meso
ekuona,, ukadaro Mwaro havambokurasise kwete kungoita gundamusaira.....

Melo ndainge ndisisazive kumuona, asi ndainyatsoziva kuti aiita chipfambi size tsvene chaiyo zvekuti vanhu
vaizorwa chirwere vakati baba. Melo aive munhu aida kudya twunonaka saka haaimbogoni zvekuita musika
zvinoita vamwe vachitsvaga mari, aitoda mari nekukasika zvinova zvaizoita kuti aite hupombwe. Mubairo
aizouwana unokunda AIDS yaaive nayo iyo saka ndaingotarisa hangu. Ndainge ndakatsiura but ainge akaisa
zvitanda munzeve. Kumusha taingotaura tese pamawhatsapp ipapa kana kuvaphonerawo nelandline kana ndiri
kubasa. Zvehuku vaiti zvaifamba zvekuti, saka vakati vaingounganidza mari vachitsvaga zvimwe zvekuita nayo kuti
ibereke. Bamunini vaifara chaizvo vaigaronditenda paphone kuti "mwana wangu wakandiitira basa ufunge" asi
ndaitonzwa mandiri kuti handisati ndanyatsovaitira madanha. Ko vainge vakandichengeta ka munguva
yekutambudzika kwangu, otherwise dai vaive umwe munhu vaidai vakangonditi enda unogara padongo ramai vako
uchiita maricho.Ko tozviziva ka, varipo vamwe vanhu vanongozvida ivo nevana vavo vasingatombo cheukewo
vamwe, zvekuti ukamushanyira pamba pake anenge aakutoda kuziva date rekuti unodzokera riinhi kwawabva.
Imika,, upenyu ivhiri uhwu hazvirambe zvichingokunakira iwewe wega. Umwe neumwe ane mukana wake
waanopihwa saka ngatidananei sehama nehama kwete kuti vanhu vanoita magroups mumafamilies umu zvekuti
munowirirana,zvichienderana nemalevels emari dzamunenge muinadzo muchingoshanyirana pachenyu.
Hazvinzwarwo,,tiri vanhu tese, angave murombo kana mupfumi ende dzidzai kucheuka vamakasiya kumamisha
uku, kwete kuti mwana wako anodzidza pachikoro chinodhura bag richienda risingafemi nechikafu asi kumusha
uku uine vana vehama dzako vanoenda kuchikoro netsoka vakaisa mingai mumapepa eshuga.Zviriko mudzimhuri
dzatinorarama umu, unotoona munhu achiti akakumbirwa mari anototi "haa zvinhu zvakandiomera, nditori
nemota dzangu 5 dziri kuda kunotorwa kuTanzania uko saka ndiri kutotemeseka musoro" Vanhukaa,,,, dzidzai
kubatsirana kana uine pauinapo ipapo. Zvinhu zvidiki chaizvo zvinozarura magonhi emaropafadzo....

Rimwe zuva Henry akauya asuwa chaizvo zvikanzi "babe, mudhara vangu vari kurwara, takatrier kuvaendesa
kunana South Africa uko kuti vanorapwa asi hapana change ndaakutofunga kumboenda navo futi ku U.K kuti
vanorapwa. Ndakarwadziwa hangu but paisave nezvekuita baba vaifanira kunorapwa, ko mubereki akakosha ka,
ndivo vaive muridzi wemacompany nemari dzimwe dzaive nanaHenry saka vaifanira kuedza nepese pavaigona
napo. Zuva raakandiudza izvozvo akabva anditi vainge vave ne2 days vabva namama vake kuSouth Africa
kunorapwa,asi vainge vari kuhospital kumaAvenues kwaive nadocter wavo wemuno. Akabva anditi
ndizomuperekedza paweekend kunovaona then kana pasina change ozoenda navo mhiri kwemakungwa. Kuti
ndirambe zvaisaita, saka ndakangobvuma kuti ndaizoenda naye, ko vaive tezvara ka hapana marambiro andaiita.
Kelvin kubva musi wandakatorwa naHenry aripo haana kuzomboda kuzondishanyira futi zvaaisiita ndofunga ainge
abhoikana nazvo. Zvimwechetezvo naAndrew haana kana kuzombodzoka, kana kuzombosender twuma messages
twake zvaaisimboita kare,, ko ndainge ndaziva zvese ka ainge ave kutonyara, kana ana sisi vacho vaida kumboita
pikerere neni, havana kana kuzomboti bufu. Rimwe zuva ndakatoshamisika Kelvin achisvika pari palunch
ndikatobhoikana nazvo nekuti ndaiziva kuti Henry aingogona kusvika anytime.Ndakaramba ndakamira panze
ndichiita sendaisamuona hangu achibva auya pandainge ndiri ndakatsikitsira ndiri busy kubaya baya iyo tablet
yandainge ndakatengerwa naHenry,, ndainge ndambosiya,zvesamsung yandainge ndakatengerwa naKelvin,
ndaitofunga hangu kuti ndikaenda kumusha ndaizonoipa Josiah dangwe rabamunin nekuti aive nekaphone
kaisaenda pawhatsapp aive nedzimwe dziya dziya dzekupinda two masim nememory card,, ndainge ndaakuda kuti
hanzvadzi yangu amboblin'a paruzevha negalaxy... ko kutyei hanti yainge yakatengwa nekaimbove kamupfanha
tsano kake kaKelvin, kungoti apa ainge aexpire, ndainge ndainstaller new version, Henry Moyo.....

Akasvika angori low low zvikanzi "hesi Tale mazuvano hauchandifarira ka?" Ndakangoseka hangu kuvhara nyadzi
ndikati "ndodada nei nhai Kelvin sendine kambani yezvigayo?" Akabva aseka zvikanzi "iiigh hamuchabatike
zvekumhanya, plus muface wako anenge asingadi ne....." Haana kuzopedza kutaura akabva agurisirwa naHenry
wacho hameno kuti ainge asvika nguvai zvikanzi "hausi kunyepa ipapo Kelvin mupfanha wangu, Tale handidi naye"
Akatodaro achisvika akaisa maoko muhomwe achisekerera hake akanditarisa asingatombogaye kuti pana Kelvin
aive padhuze achibva ataura hake zvekufinhura zvikanzi "iiigh haa Kelvin uri kumboedza kutaimira babe rangu
wena uri kuda kumboedza kudiiko mupfanha wangu, Tale ndewangu uyu ndichatokuita best boy pamuchato
wedu" Akangoseka hake Kelvin wacho kuvharidzira kubhoikana kwaaitwa nemashoko akataurwa naHenry apa.
Henry ndakatoona kuti aigona zvekufinhura munhu achiseka hake hake zvekuti ukasazvitaimira waigona
kusatozviona kuti munhu ari kundibudira uyu" Ndozvandaimudira Henry aisatomboita zvehasha, zvekuti ukaona
musikana wako akamira nemunhu waakuda kutoita zveviolence,,, ko kuve musikana wako hazvireve kuti munhu
haachapfimbwa ka. Akabva andibata ruoko zvikanzi "hande babe wangu tinotsvaga chekudya lunch isati yapera "
Ndakabva ndangoti kuna Kelvin rega ndimboenda kulunch achibva angogutsurira ko aigotii. Tave mumota Henry
akabva atanga kuseka zvikanzi"babe sorry shaa nemaitiro andinoita bhururu wako Kelvin uyu kungoti ndikaona
uinaye ndinotoita jelous nekuti kamupfanha kacho kanenge kari kutokuda saka ndiri kungoda kumuratidza kuti
game yacho haangamboigoni" Akatodaro takamira pamarobbots ndokubva ndaramba ndakanyarara hangu zvikanz
"chero ukanyarara hako Tale ndinokuda shaa ndosaka ndichiuya evry lunch kubasa kwako nekuti ndotya kuti
ndikasauya kamupfanha Kedza kangatopembere kakakuendesa kulunch ndisipo " Ndakapedzisira ndaseka hangu
ndikati "inga baba mune shanje imi" zvikanzi "ndokuda Talent zvimwe ndingataure hangu, ndinozviziva kuti
haundirasise, asi ndinenenge ndichingoitira kuti twuvapfanha twunenge ana Kelvin twusakujairire chete.
Ndakangoti musi waanozviziva kuti ndakatombodanana naKelvin achashamisika. Akabva andiendesa kurastaurant
yake iye, kwandaingodya hangu ndichiyema yema kusvika auya padhuze neni zvikanzi "uri kuda kudyiswa here
babe handina chandinoramba? Hameno chakangoita kuti ndicheuke murastaurant mataive imomo ndokutoona
tete Lesly vakagara naAndrew vari nechekukona kona vachitoyemerana vachidyisana nyama zvekuti hana yangu
yakarova, ndakaita kunzwa mudumbu kurira, nekuti dai Henry aizozviona izvi paizoita hovhiyo chaiyo pakazvarwa
mwana asina bvudzi.Luck raive rekuti maive nevanhu hobho ndokusaka tisina kuonana.Ndainge ndisisatodiwo
zvekugara imomo, ndakabva ndatanga kuyema yema zvenhema ndikati "ndiri kuda burger ini ngatibudei
tinotsvaga " ndaitoitira kuti tibude zvinhu zvichakanaka hangu, kana ivo tete Lesly vaizonyanyawo kuda
zvinhu,ndaito shaya chavaitsvaga murastaurant imomo nguva yema lecture, ndopaunoona kuti kwadzinorohwa
matumbu ndokwadzinomhanyira chokwadi,, hanzi nevamwe kuzvara mwana musikana iloss,, dzimwe nguva
unotozoona kuti chinenge chokwadi nekuti tete Lesly vaisamboshaya chinhu kumba kwavo zvekuti ndaitoshaya
kuti saka vari kutsvagei shuwa naAndrew murestaurant imomo. Ndipo pandikaona kuti Andrew haaimborega
zvemadress aitongoda hake kundivhara, kuti andizore chirwere maybe aitongoda kundfixer hake ozondisiya. Manje
Mwari ndiMwari vemunana, vanongoita kuti zvimwe zvikudarikewo so.... Pandakataura dzeburger Henry akabva
ati "handei ndinokutsvagira babe " ko ndaidiwa ka hapana chaaimboramba,, ndokubuda kwatakaita umu,
nechemumoyo ndakangoti Thank God.

Tave munzira kudzokera ndakabva ndaona imwe mota yainge yakafanana neyemusikana wekumbodanana
naHenry uye , ndipo pandakazorangarira kuti ndaida kubvunza Henry nezvenyaya iyoyo ndichibva ndamuti "nhai
nababe ko wakarambirei Liosa?" Akashamisika zvisingaite ndikati "asi wakaita zvinhu zvisina kumbona,," Ndainge
ndatodimburirwa panzira zvikanzi "Tale shaa handaimanikidzwe kudanana nemunhu wandaisada, moyo wangu
ndaingonzwa ndega kuti this is not the right person for me, zvekuti ndakatanga kusatomuda ndisati
ndatombokuona zvekuti aifunga kuti ndaiita mafunnies naye, asi ndaitorevesa saka please lets not discuss this
issue again, I love you Tale and I will never leave you, ndakatosiyana naye Liosa ndakatokanganwa nezvake"
Ndakangoti regai ndisiyane nazvo ko zvaivei neni hangu......

Manheru acho, taitoona hedu TV naCharity ari manheru, ndokubva tanzwa gate redu kurohwa rohwa zvinesimba
nechekunze, ndokuramba takambotarisana naCharity munhu wacho ndokuramba achirirova zvemhando
yepadenga chaizvo ndokubva ndati "handei Charity tinoona kuti ndiani " Takatombokanda zvekutya paside,
ndokusimuza Tadisa ainge akarara pamakumbo pangu ndokunomusiya muroom mangu ndokuzodzoka tave
kuenda panze naCharity. Mother vaive varara sezvo dzainge dzatove kuma past 10 dzemanheru plus vaisafarira
kuona TV vaiti ndinozoita poor eyesight,,, ko zvamother zvaimboteedzerwa here, dzaimboita sedzinorwadza
dzimwe nguva.Takanyahwaira ndokuenda kugate, munhu achingorirova chete tikangoti nhasi hedu. Takazonzwa
voice munhu aakudeedzera kuti "sisi Charity kani ndivhurireiwo ndinouraiwa kani"apo munhu aitozhamba mhere
chaiyo, ndokubva taziva kuti aive Melo chete hapana mumwe,,kana kwaibviwa nehusiku ihwohwo ndakakushaya
ini apo aiwedzera kuridza mhere chaiyo svinu Charity achibva avhura gate ndokumuona ari iye nekamwana kake
kakabatwa mumaoko nekasatchel kake hembe dzakatsvuka ropa, kumeso kuri churu kuzvimba.Takabva tanzwa
mutsindo yevanhu vaimhanya vachiita sevaiuya kwataive Melo achibva angomhanya achipinda mugate sezvo aive
nechekunze, Charity ndokuvhara gate nekukasira ndokubva tati zii takadaro hana dzichibika manhanga, kana Melo
wekumboridza mhere akabva ati zii. Takazonzwa mitsindo kunze kwegate , mumwe murume ave kuti "anga
achichema ari panapa ndopandamunzwa ini maybe hameno mumasora maakahwanda, ngatimutsvagei kakapusa
stereki kamujoki kaye nhasi tikakabata tinokashandira nekuti mother vatituma vaye vati tikavhiye nebanga chairo
kange kachidanana nemurume wavo nanje kapukunyuka tinonovaudza kutii gen'a apo imwe mari yavo tange
tatomboinwa doro apo basa hatina kupedzisa?" Takabva taziva kuti inyaya dzaMelo dzechipfambi dzaiita kuti
avhimwe kudaro apo ainge angopusa zvino kamwana kari mumaoko kachirovanisa mavende nechando asina kana
juzi. Aigozopfekedzwa juzi seiko ikwo kwainge kwabviwa kuchitizwa. Varume vacho vaimunhanyisa vanenge vaive
vakatodhakwa havo ndakanzwa vaakuti ngatiendei neroad yekuseri pamwe tinokabata, plus ane kamwana hapana
kwaanosvika,, vakadaro vachitomhanya ndokuzogadzikana kwatakaita. Ndakabva ndamuti " ko chiiko chiri
kumboitika, achibva atanga kuchema, zvikanzi " vatombondibaya nebanga paruoko sisi Tale kani honai" akadaro
achitambanudza ruoko rwake ndokuona paine zironda chairo raityisa kutarisa ndikamuti " eh eh saka uri
kuchemera ani manje,wauya kuzodii pano?" ndofunga ainge ave kunyatsonzwa pain manje ndikamuti "pano
pawatizira ndopai manje, enda unobaiwa nemapanga uko ndokuti uzive kuti varume vevanhu havaite, ende
richaora ronda iroro hapana anoswerera kukuendesa kuchipatara. Haa akabva atanga kuyuwira apo face
yakazvimba ndikati hapana wekuchemera, uri kurara panze ipapo nemwana wako taakunorara isu mangwana
tinomukira kubasa" Charity ndakaona kuti ainge ave kunzwa tsitsi ndichibva ndamuti "iwe Charity asi Melo
wamukanganwa, kuti ndiye wekuda kutiza mwana wake pano nhai" Akabva adairira zvikanzi "sisi Tale kani
ndaakufa nekurwadziwa ndipeiwo chidhende ndisunge ruoko rwangu kani honai ndachekwa " Ndakabva
ndatotyora hangu ndokubva atanga kuchema achedemba zvikanzi sisi Tale pliz inzwai tsitsi kani ndaakufa
ndokubva Charity anotora chikorobho zvikanzi "zvisunge" neichi.Takazotora mwana ndokunomurarisa mumba
nekuti ndakatoona kuti aigona kungofa nechando.Melo aingochema zvekuti takapedzisira tonzwa tsitsi
asisakwanise, asi ndakanyatsoti hapana kuchipatara kwandaimuendesa. Takabva tamuti anogeza uku
achingochema neruoko face yakazvimba iyi achiita kunge mhuka ndofunga ainge arohwa, ainge asati atsanangura
kuti nyaya yake yakamira sei.Takazongomuratidza pekurara,muroom maive nemwana wake achingochema
neruoko rwake chete zvekuti ndainge ndaakutosvotwa nemuchemero wake. Takazonorara ndokungomusiya
achingodeedzera kuti amai kani ndaakufa ini, ndokubva ndasiya ndadeedzera pamusiwo kuti "ifa Melody
haubetsere mhani" ndokubva ndafamba ndichienda kuroom kwangu kunorara, ko ndini ndainge ndadii....

Mangwana acho nakuseni ndakanyatsomuka bho bho hangu ndokuenda kukitchen ndokunotora packet nyowani
yainge izere salt ndokubva ndaenda nayo kuroom kwaive naMelo ndikati "ndochipatara chako this time maronda
ako uchaisa salt iyi,, kana usingadi uchaora wakadaro bhururu handina mari yekutambisa plus handitodi kuti ugare
pano pauri uri kutofanira kuona zvekuita hama yangu nemaronda ako?" akaramba anyerere achiratidza
kurwadziwa chaiko, ruoko rwainge rwazvimba kuita danda ndikamuti salt iyo moona chekuita nayo madzimai
handisi doner rekungokuendesa kuchipatara kana wapora wotanga kurebesa muromo, this time andisi kuita
izvozvo bhururu" Akaramba anyerere achingogomera ndikati hameno, and this time ainge asingadaire marough
ndikaziva kuti anzwa butter uyo, nekuti Melo aisagona kunyarara and this time ndaida kuti apfidze size tsvene.....

CHAPTER 45

Ndakamusiya achingoshinyira neruoko rwake ndokubuda hangu kuti ndinogeza ndiende kubasa. Kamwana kainge
kakangonzi gunduru munhu achingogomera chete, ndofunga husiku ainge asina kurara. Ainge akatyora zvino Melo
ndikaziva kuti ainge arwadziwa pachokwadi,nekuti Melo aisagona kunyarara.This time ndainyatsoziva kuti hapana
kwaaimbotiza achienda nekuti ainge akakuvara zvisingaiti.Ko ndomabasa echipfambi ka, ainge azonyatsopihwa
mubairo waienderana naye. Ndakanyatsopedza kugeza ndokumirira Charity hangu kuti tibude, ndainge
ndisingatombogaye hangu kuti kuna Melo ari kunzwa kurwadziwa. Charity akamboda kundimanikidza kuti tipfuure
tichimusiya kuhospital asi ndakaramba hangu,, kwete nekuti ndaisada kuti Melo apore,asi kuti ndaida kuti
ambodzidza kuti hupenyu hunoda kuudzwa munhu achiteerera. Patainge taakuda kubuda makuseni iwayo mother
vainge vasati vamuka havo,,ko vaimhanyirei Tadisa aitanga chikoro nahalf 8 dzekuseni saka ndainge ndakavaudza
kuti vasakasire havo kumuka vaizomuka kupast 7 vaakugezesa Tadisa. Zvekuuya kwaMelo manheru vanenge
vainge vasina kuzvinzwa saka ndakangoti regai ndipfuure nekuroom kwavo ndichivaudza kuti Melo aripo,kuitira
kuti vazomupawo chikafu. Room yairara mother neyainge yakarara Melo zvainge zvakangotarisana saka ndakati
ndichingosvika padoor ramother kuti ndinoke ndakabva ndanzwa Melo achiita kunge aitaura paphone ndikati regai
ndiise nzeve ndinzwe kuti ari kumbotaura nani. Ndakanyatsoisa nzeve yangu padoor chaipo ndokunzwa sisi vari
kuzavaza haikona apo zvimwe zvacho ndaisambonzwa kuti aitii. Ndakakwanisa kunzwa pekuti "ndiri kuda mari
yangu ikezvino takazosvika pakubatwa uchingoverengera ndikarohwa usati wandibhadhara,,, ikezvino
ndakakuvara, ndiri kuda mari yangu wakapusa stereki".Aive Melo zvake aitukana nezvikomba zvake. Aghh
ndopandakaona kuti Melo aisambochinja chokwadi, nekukuvara kwese ikoko ainge achiri kungo claimer zvikwereti
zvekuchipfambi kwaainge ari ikoko. Mari ainge akainzwisisa mwana wamai vangu, ndakasurrender
hangu.Ndakabva ndapinda hangu mumba mamother kuti ndivaudze kuti vazopa ivo amujoki ava chikafu.
Matauriro amother ndiwo aindinakidza hangu zvikanzi "Melo akaite come back,azvione kuti haana kungware ka"
Zvamother zvaisateedzerwa ndakatoona kuti mdinganonoke kubasa,ndokusiya ndavaudza kuti vakiye madoors ese
nekuti shasha yatainge tave nayo iyi yaizopinda ikaba futi, ko Melo ndaimuziva ka.....

Ndakaenda kubasa hangu Henry achibva azophona achiti aizouya palunch kuzondiona, ko yaive garoziva ka kuti
aiuya.Palunch akabva auya hake mwanakomana tichibva taenda kulunch achibva andiudza kuti weekend
ndopandaifanira kuzoenda naye kunoona mudhara wake kuchipatara. Ndakabvumirana naye ndikamuti ndaizouya
toenda. Ndaitoona kuti aive stressed nenyaya yekurwara kwababa vake, ko mubereki anokosha ka zvongodawo
mese muchifara mumba kwete kuti vamwe vanenge vachibatikana. Ndaingomusimbisawo ndichiti vanopora,but
aingoti ma1 nekuti vainge vaedza zvese asi painge pasina change. Ndopandakaona kuti shuwa munhu nyangwe
ukaita mari yakawanda sei, nyangwe ukadoita madoctors anoziva zverudzi rwupi kana hurwere hwavepo hapana
matiziro aungazviite. Baba vaHenry vaive nemari yakawanda asi vairapwa kunodhura zvichiramba chainge
changosara kuenda navo mhiri kwemakungwa pamwe ndiko kwavaozoita zviri nani. Painge pasina zvekuita,
vaifanira kuenda kunorapwa asi on the other side ndairwadziwa kuti ndaizoparadzana futi naHenry wangu.
Ndainge ndajaira kugara ndichimuona zuva nezuva ko ndainge ndave murudo ka. Henry ndaimudira kuti aive
munhu aisazvitutumudza nenhau yekuti anowana,aive munhu aigona kuzvidzikisira. Imwe nyaya yandaimudira
aive munhu aisafarira kundibata bata muviri wangu sezvinofarira kuita vamwe vakomana mazuva atave kurarama
ano.Haikonai kuda kungojaidza maoko enyu vakomana muchibata vana vevanhu nemiwo vasikana vacho haikona
kungosekererauchiitwa zvisina basa, humbwa ihwohwo,,,,,

Pandakakumuka ndakabva ndanomira panze ndichimirira Charity, ndokuona Kelvin achisvika nemota yake.
Ndakatoshaya kuti ko aideiko futi ndokuona muchiburuka kamusikana kechidiki ndokungomira hangu ndakayeva
ndichida kuona kuti aida kuzama kudii. Akabva amubata ruoko ndokuuya naye pandainge ndakamira kamufambiro
kaaita akamubata maoko aiita kunge ari kuda kundisvotesa ndakangoti ko anozvinetsereiko Kelvin. Akabva asvika
pandiri zvikanzi "muri seiko mai Tadisa" Kelvin kubva tizivane ainge asingambondishevedze achiti mai Tadisa
aingonditi Talent,zvemusi uyu ndakatoshamisika kuti ndamhoreswa nezita remwana kudaro,,, ndikaziva kuti
aiizviitira manyemwe nekuti aive nekachimoko paside ndokunyatsodaira hangu ndikati "ndiri bhoo hangu uri
seiko?" achibva abata kamusikana kake muchiuono zvikanzi "ndauya kuzokuratidza bbe wangu uyu anonzi Melisa"
Ndakanyatsoona kuti Kelvin aitoda kunyatsondi svotesa zuva iri ndofunga aida kutsiva zvaaimboitwa
naHenry.Ndisati ndapindura akabva ataura futi zvikanzi "babe ava vanonzi mai Tadisa ishamwari yangu" Akadaro
hake zvine kakuonererwa mukati,, nechemumoyo ndaingoti chinekewooo! Kelvin aindidadira sekunonzi
ndaisavewo nemukomana wangu,, chaaisaziva ndechekuti ndainge ndisisina kana basa naye hangu,ndainge
ndaakutoda Henry wangu nemoyo wese zvekuti ndaitomunzwira tsitsi aitoshaya wekusvotesa plus hapana
chaimbondirwadza ini kuti Kelvin ainge ave nemusikana ko pane paaizogara asina here. kasikana kacho
kaingosekerera kari paside pababa mupfanha ndikati hokoyo. Akazoti "rega ndimboperekedza babe wangu mai
Tadisa ndokubata " ndokubva ndati "tobatana hama". Akaita kufamba akamubata muchiuno ndokusvikomuvhurira
door remota achingotarisa tarisa kwandaive, ndofunga nechemumoyo zvaingonzi "uri kuzviona here Talent izvi",,
manje ndiri seni zvekuvhurirwawo door remota ndainge ndatozvijaira,, ndakatotsikitsira hangu paphone yangu
ndichimirira Charity, zvaana Kelvin zvaitovewo zviroto izvo, kuona face yake kwainge kusisatombondivaraidze
ndainge ndaakutogara ndichifunga hangu zvaHenry wangu.

Charity akazouya kuzonditora, ndokubva tarova pasi takananga kumba. Tichiri muroad tete Lesly vakabva vaphona
zvikanzi "uri seiko mukadzi ?" ndikati "hevoi tete iri sei life?" zvikanzi "eish mabooks ari kurwadza wena ndanzwa
nekuverenga". Ndakanyatsoona hangu kuti tete vangu ava zvekuti mabook kudii dii izvi vaitonyepa havo, ko
vaigoverenga nguvaiko ivo vachiswero teeredzana nana Andrew apo aitove chigulani futi Andrew wacho shame.
Ndakabva ndavasimbisa zvenhando hangu ndikati "mabook agara anorwadza tete motoshinga hapana zvekuita"
kwaingovewo kutaura hangu nekuti type dzaana tete Lesly ndodzekutenga malecturer nekuti vaingoburitsa mari
kuti zvavo zviite vachiswera kumberereka netown vachinyengerwa nana Andrew. Pamwe ndivo vaitodyiwa mari
maAndrew wacho futi hazviziikanwe ka, pakuti ivo vaitove nemari yakakunda yaAndrew wacho. Vakabva vati
"ndiri kuda kukuratidzai ka mukuwasha wenyu paweekend munenge muri free here?" Hana yangu yakarova
chaizvo pavakataura dzekuda kundiratidza mukomana wavo apa nekuti ndaitoziva kuti ndaizoratidzwa Andrew
saka ndakakasira kuramba ndikati "weekend handipo tete, tiri kuenda kuchipatara na Henry kunoona baba"
Zvikanzi "hoo muri kuda kunoona dady zviya,eish kungoti zvechikoro zvacho zvakandipresser ndaidai
ndakanovaona plus mota yangu yakafa Henry wacho ari kuramba kundigadzirisira" Hapana kana zvechikoro
zvavaimboti zvakandipresser, tete vangu vaikudza mafaro ndochaive chokwadi. Vaitadza kunoona baba vavo
kuhospital shuwa asi nguva yekuyemedzana nama Andrew mumarestaurant vaiiwana.Vaisaziva kukosha
kwemubereki tete vangu. Ndakatoshamisika kuti nguva yekundiratidza mukomana wavo vaive nayo, asi yekunoona
baba vavo vainge vasina, ndopaunoona kuti vamwe vanhu pfungwa dzavo dzakadhanganyika chaizvo.Vaizoona
kukosha kwechikorobho varasa mvura, vabereki vakakosha ava, vaisaziva kukosha kwavo dai vaimbondibvunza
inini ndaivaudza kurwadza kwazvo. Charity akaseka hake zvikanzi "saka katete kako kari kuda kukuratidza iye
Andrew ndiye ari kunzi mukuwasha" Ndakaseka hangu ndikati nhamo ine nharo.....

Takasvika kumba ndokuwana Tadisa kakamira pagate kachichema ndikaziva kuti aburana naMelo chete, ko vanhu
vacho vainge vakamakana chaizvo plus Tadisa kaive nepamuromo ndakamuignowa hangu sendisiri kumuona.
Patakaburuka mumota kakabva kamhanyira Charity zvikanzi "mama Charity ndarohwa nevaye vaye vamakarova"
zvikanzi waroverwei nhai Tadi?" zvikanzi ndavaudza kuti muri kunzwa butter ka nezvironda zvenyu vakandirova "
Haaimborega kurohwa nekuti Melo aitorwadziwa zvake saka ndakangoti hamenoo, zvaTadisa zvaisateedzerwa.
Ndakapinda musitting room naCharity ndokugara hedu, ndokuona Melo achiuya kubva kuroom kwake,ndofunga
ainge anzwa kuti tasvika. Akasvika achiita kukweva makumbo chaiko ndokusviko gara pasofa zvikanzi "maswera sei
sisi Charity nasisi Tale?" Takangotarisana hedu naCharity in disbelief,nekuti Melo wataiziva aisazvityora kusvika
pakudaro, ndakaziva kuti munhu anzwa butter uyu,apo ruoko rwacho rwaiita kupenya rwakaita kunzi shweee
nekadende hameno kuti kainge kawanikwepi,ndiko kaishandiswa sebandage. Ndakaziva hangu kuti mutauriro uyu
waive wekunyengerera chimwe chinhu chete nekuti Melo aigona kurespecter munhu kana achida kuitirwa
mafavours chete. Takabva tadairirana naCharity tikati "taswera" ndokubva tanyarara hedu. Akamboramba ari zii
ndofunga aishaya pekutangira zvikanzi "sisi Tale ndokumbirawo kuti mumbondiendesa kuchipatara ndiri
kurwadziwa vedueee" Ndakaita sendisina kuzvinzwa hangu ndokutotora remote yaive patable kwakutotanga
kuchinja chinja machanel zvenhando hangu. Akabva asimuka ndokuuya pandaive kwaakutanga kundizunungutsa
zvikanzi "sisi Tale ndaakufa kani ndinzwireiwo tsitsi" Ndaitobhoikana hangu nekundizunza zunza kwaaita ndokubva
ndamuti "nhaiwe ndisiye, ko salt yandakakupa makuseni yatopera here handiti ndakuudza kuti ndochipatara chako
here?" Ndakaona twumisodzi kuyangamara ndikaziva kuti shasha yanzwa iyi ndokubva ndamuti "ndibvire apa,ko
chikomba chako chechikwereti chiye chawange uchifonera makuseni hachina kubhadhara here?" Charity akaseka
hake zvikanzi "haa imi sisi Tale chikomba chipikowo chamuri kureva mukutoita mafunnies ndichirwadziwa". Rough
yainge yoda kutanga futi ndikati "ucharapiswa nerough iyoyo handina mari yekutambisa ini" ndakatodaro
ndichisimuka kuenda kuroom kwangu ndaitobhoikana naye,aisagona kutaura.....

Ndichisvika muroom mangu Henry akabva afona zvikanzi "uri sei babe wangu ndakusuwa" ndaingoyemezeka
hangu ndiri paphone ndichiita sechisikana hangu,, iko kuzoudzwa kunzi ndakusuwa munhu wandainge ndiinaye
masikati, yainge ichiri love pisa pisa zvechokwadi. Pandakapedza kutaura pafon ndakabva ndasimuka kuti ndiende
hangu kunogara kwaive naCharity ,ndakashamisika kuona Melo akamira padoor reroom yangu ndikamuti "ko uri
kungonditeera senge ndatove nemuswe chiiko chiri kunetsa?"Instead yekuti apindure mubvunzo wangu akabva ati
"chimbondipai phone nditaure hangu nabamkuru Henry ndiri kuda kungovamhoresawo" Ndakamutarisa hangu
ndikati "Henry haasi bamukuru vako Melody,ndibamkuru vaSusan ari kumusha uko, kwete iwewe haudeserve kuita
munin'ina wangu saka pora hako plus tokuzivai hamutane kuita ruchiva ana Melody" Akabva aramba
akangomirizika pamusiwo paye ndikamuti "ibva apa ndiri kuda kukiya door rangu ungazondibire dai wanga uri
umwe waenda kunoisa salt pazvironda zvako izvi" Akabva aridza tsamwa zvikanzi "sisi Tale ndoshaya
chamuonodada nacho ini, mumbori neiko mukaroom kenyu imomo?" Ndakabva ndamusundidzira ndichida kuti
abve pamusiwo pangu, ndokubva adonha neruoko rwekubaiwa nebanga akatanga kuchema. Ndakanzwa tsitsi
shuwa kuti ndaita zvakashata asi pandakafunga kuti aisagona kutaura ndakabva ndamusiya ari pasi achichema
kudaro.Akazouya taakudya ndokusvikogara pachair akati zii, ko kudepartment repasi pemhuno ndokwaaifarira
Melo. Zvekudya izvi aizvida nyangwe achirwara zverudzi rwupi chikafu airikita. Mwana aingosiiwa ega mumba
maairara imomo,this time ndakangoti hamenoo, wangu Tadisa ndiye wandaiona nezvake izvo zvevana vaana
Andrew izvo iiih ndaitodeedzera kuti ruregerero mbudzi yegoverment.
Mother vakazomuvigira plate yake yesadza akaita kudya kunge ari kumhanyiswa. Taingotarisa hedu kusvika
mother vazoti "ko zvaunodye kunge uri paeating competition kudaro kwakanaka here ?" Akangovakanda ziso
raitaura rega,mother vacho vaisagona kunyarara vakabva vati "ini handikutyeba kana uchida huya tiite zvefight
kwete kundiita look neziso rinotaure kudaro" Takaseka hedu naCharity ndikati zvaiwana ngwarati. Akakasika
kunorara ndofunga ruoko rwairwadza, ndokusara tichiona hedu Tv .Mangwana acho yaive weekend ndaifanira
kuenda mutown kunoona Henry kuti tiende kunoona baba vake saka ndakagadzirira hangu nekuti ndaida kubuda
pamba kuma9. Charity aiti aida kunoonawo Charles wake kuti vaende kunobooker venue yavaida kuzoitira
muchato musi wa22 December wacho. Tadisa ndakamunyepera kuti ndiri kuenda kubasa nekuti ainge akutoda
kuita chinamira kuti ndri kuda kuenda kunoona dady. Dady vairehwa aive Henry ndakangoti mwana wangu
shame.Melo paakaona tageza geza akabva auya muroom mangu zvikanzi "mafungepiko sisi Tale?" Ndakabva
ndamuti "ndaakuto bvunzwa ka kwese kwandinenge ndaenda kunzi muri kuendepi ?" akabva ati
ndandichikumbirawo kuti kana maakuuya mundivigirewo mapiritsi ekunyaradza marwa,,," ndakabva ndamugurira
ndikamuti "hapana piritsi randiri kutenga shandisa salt yandakakupa iyo ndoichaomesa maronda ako iyayo kana
ukasaisa ndiwe uchawora nemaronda iwawo hapana kana piritsi randokutengera. Ndakabva ndavhara musiwo
wangu ndokuisa makeys muhandbag ndokubuda hangu ndokumusiya akati vavava pamusiwo ipapo. Ndakaziva kuti
ndosaka ndainge ndanzi sisi, inhau yekuti aida kukumbira kutengerwa mapiritsi manje ndaisaita izvozvo. Chipfambi
chacho ndaitoshaya kuti aichiitirei nekuti hapana kana chaaive nacho ainge akangodzoka nekasatchel kake ikako
nemadende ake. Hembe dzaakambouya akapfeka achivhaira nekamukomana paakambouya ndiri kubasa ainge
asisina ndofunga dzainge dzakweretwa,, mwana chaiye aive asina kana hembe, ndofunga chipfambi chacho aiitira
kuwana mari yekudya nekuti Melo kudya aikuda. Ndakangomusiyawo akamira ndokubuda hangu naCharity.....

Henry akazouya kuzonditora mutown kuti tiende kuhospital kwaive nadady vake.Tiri mumota ndakabva ndabvunza
kuti ko tete Lesly havasi kunoonawo mudhara here zvikanzi "anogara achiti ari busy nemabook ake uyu"
Ndakangoti nechemumoyo dai Henry achimboziva muface hwehanzvadzi yake aizvisungirira pamudomasi
chokwadi. Tete Lesly ndainge ndaakutofunga zvekuvudza ndega kuti Andrew murwere asi ndaishaya pekutangira
chaipo.Takazoenda kuhospital kuye kwaive nababa vacho ndokusvikoona vakarara havo vakatosvinura asi
vairatidza kubatikana. Ndakabva ndafunga mai vangu mazuva avo vari muhospital moyo wangu ukarwadza
chaizvo,ndaisafarira nzvimbo inonzi chipatara yaindifungisa amai vangu. Henry ndiye akatanga kuvamhoresa
zvikanzi "muri sei nemuviri dady?" vakadaira vachisekerera vakatarisa mwanakomana wavo zvikanzi "ndizvozvowo
muviri wacho uri kuramba kuita bhoo uyu wena" Ndakabva ndaombera ndichivakwazisa ndikati "makasimba here
baba" vakatanga vasekerera zvikanzi "ndiripo muroora wakadii hako?" Ndakangoti baba ava ka, hameno kuti
vainge vaudzwa nani kuti ndiri muroora wavo ndakangoti "aiwa ndinofara muri sei nemuviri zvikanzi "aagh zvedu
hazvichateedzerwa mwanangu maybe ndiko kukura" ndakangovasimbisa ndikati "aiwa zvinoita bhoo" Henry
akabva ati "dady ndiye muroora wenyu, ndiye Talent wandakambokuudzai nezvake mese namama"
Vakangosekerera havo chero vaibatikana zvikanzi "ndafara kukuona mwanangu waita zvakanaka wauya
kuzondiona kungoti wapesana namai Moyo vange vari muno vaenda kumba " vairevera mai vaHenry ndikati "aiwa
hazvina kuipa mazuva mazhinji tinoonana"apo ndaidaro nyadzi dzichindibata,Henry aingonditarisa hake achiseka.
Akazovapawo maftuits aainge avatengera, ndokubva vangoti ndichazodya. Vairatidza kubatikana zvekuti
ndakanzwa tsitsi shuwa. Takazongogara maminutes mashoma Henry achibva ati "regai ndimboperekedza muroora
wenyu uyu ndodzoka pavisiting hour yemanheru",zvikanzi horaiti rega ndimborara ini" Tave mumota Henry akabva
ati "handiti waona kuti dady vangu varatidza kufara pavakuona here,kwasara kuti uone mama" ndakangoseka
hangu ndakati "ndichavaona" Takazoswera tese naHenry tichingoyemerana hedu, achibva azondiperekedza kumba
ndokunondisiya pagate.Akabva ati ndinodeedza Tadisa ndokubva ndauya naye.Akafara mwanawangu nekuti
naHenry zvaiwirirana chaizvo ndokubva asiya amupa machocolates ndokuzobhabhaisana aakuenda. Melo dai
akazviziva kuti Henry aive kugate idai akauya kuzomira mira chete ndaizviziva,pakuti Melo aitove dhimoni
pachezvaro,aisada kuona panoti mvee munhurume,hana yake yisagadzikana aibva anzwa moyo wake usitorewa
torewa usigadzikiwa uko pachikore kore,,,,

Takagara 1 week tiinaye Melo maronda ainge ave nani ndofunga aisa salt, ko aitoisa ka dai aisadaro ndiye aiwora.
Ndakabva ndamuudza kuti "ndakukuendesa kumusha kunogara kuruzevha chaiko kwaRuocha" Akamboda kuita
nharo chaizvo kuti kumusha handiendi kunobhowa ndikamuti "ndoudza Charity akakurova futi" ndokuzodzikama
kwaakaita.Akabva ati "munoenda neni imimi bamunini vangandirumise nemazimbwa avo" Ndakamuudza kuti
ndaizoenda naye nekuti ndainge ndatoona kuti ndiyo yaive solution chete aifanira kunogara kumusha and
nabamunini hapana mafunnies aaimbonoita vaimurova.Pamwe aizonodzikamawo kumusha ikoko saka
ndakamuudza kuti ndainomusiya weekend. Haana kumboramba hake,asi aisada zvaingove zvekumanikidzira. Week
racho iroro ndaive neoff kutanga Wednesday saka tete Lesly vakabva vafona wednesday yacho kuseni zvikanzi
"ndiri kuda kuuya kuMarimba kwenyu ikoko kuzokuonai nhasi handina malecture" ndikati "hapana chakaipa tete
huyai" Ndakadaira hangu kudaro asi ndaitobhoikana kuti vari kukoshesa zvekuuya kuzondiona havo vachitadza
kunoona mudhara wavo vachinyeprdzera kuve busy nemabook.'Ndakabva ndavapa madirections ekuti vanofamba
sei zvikanzi ndinosvika manje manje. Pasinawo nguva shuwa vainge vaakutofona vachiti ndaapa gate ndokubuda
hangu kunovatambira,ndokusiya Melo akagara musitting room achipa mwana wake porridge. Ndakatoona tete
Lesly vakamira pagate twumashades twuri kumeso,ko vaive kamusalad ka. Ndakabva ndavamhoresa
ndokutungamira tichipinda mumba. Patasvika musitting room vachiona Melo vakashamisika zvikanzi "nhai gulez ko
kamusikana aka kari kutsvagei muno?" ndikati "kapi?" zvikanzi "ikaka kakabata mwana aka munozivana nako
kupi,kakambondirova ndaenda kumba kwemuface wangu kakazorohwa kariiko" Vainge vatarisana kunge
machongwe zvino naMelo wacho vakaita kudzvondorana chaiko. Pakataurwa nyaya yekuti kakambondirova
ndaenda kumba kwemuface wangu kakazorohwa kariiko ndakabva ndarangarira kuti Mai Panashe
vakambondiudza kuti Melo pane paakamborohwa naAndrew mazuva avainge vachiri kugara vese mushure
mekunge Andrew awuyisa musikana pamba Melo akamurova achibva azorohwa naAndrew akanomukira
kuchipatara.Ndakabva ndaziva kuti zvaakuzobvondoka manje, nekuti tete Lesly vaidawo kuziva kuti Melo
ndaimyzivira kupi apo vainge vakaita kutarisana nemaziso eruvengo chaiwo,,,,,,,,,

CHAPTER 46

Ndakatoona kuti nyaya yaakuzotsvuka ropa zvino nekuti vaviri ava vaitoratidza kuti vainge vakamakana size tsvene
saka ndakati regai ndimboona kuti zvinosvikepi ndokubva ndati "tete Lesly garai ka pasi ndikupei maintro
makagara" Vakabva vagara apo Melo wacho romo rainge ranzi mumhuno ndoo kuri kutsamwirawo Lesly.
Ndakabva ndati "muri seiko tete?" Zvikanzi "ndiri bhoo gulez tell me what is going on here?"vakadaro vachinwa
mvura yaive mukabottle drink kavaive vauya vakabata. Ndakabva ndanyepedzera kudzungaira ndikati "muri kutii
ko tete?" zvikanzi "kamusikana aka munozivirana nako kupi ko kakambondirova kane dzungu stereki
ndakatokamaka?" Melo wacho aizvinzwawo size tsvene akabva asiya zvekumbopa mwana wake poridge
ndokumuradzika pasofa zvikanzi "eh eh mai tombi taurai nyaya yenyu mushe hamungasvike ka nebhagidhi
redzungu pano tese tese tinotogonawo kutaura wauri kuti akapusa ndiani?" Iiih ndakatoona kuti nyaya yacho
yaitotora kunetsa ndikati "iwe Melo nyarara mhani chiiko newe?" Zvekumera zenze ndozvaaida ka Melo zvikanzi
"sisi Tale musambodaro henyu dai maimboziva kamuroverwe kandikaitwa nababa Junior nekuda kwekamunhu
kagere apa maisambodaro henyu" Paakati sisi Tale ndakaona tete Lesly vachiratidza kushamisika zvikanzi "gules
munin'ina wenyu here uyu👉🏼?" Ndakangokwanisa kugutsurira musoro chete kuratidza kubvumira zvikanzi "Agh
howo" Zvikanzi naMelo wakapusa stereki uri kuda kuto vhaira kuti hee muface wangu what what unozviziva kuti
Andrew ane vana vangani here iwe imbwa iwe? " Haa ndakangoti nhasi zvangu pano,, zvikanzi naLesly "usade
kutaura zvisina basa iwe Andrew akandiudza kuti mwana wauinaye haasi wake saka vhara gaba rako"'Haa ndainge
ndangomira hangu ndakatarisa madrama emahara Melo manje aisangagaye zvikanzi "nxii shame on you,
ungatovhaire naAndrew ane mwana nasisi Tale ava plus Andrew Junior arere apa uyu ndewake saka dzikama
bhururu plus chiAndrew chako ichocho ndakatombasangana nacho kuchipatara kuline revanhu vemakadhi
machena achida kutorawo mapiritsi saka dzikama dai uri umwe waenda kunotestwa nxiii" Akadaro zvake mwana
wamai vangu achitenderedza maziso zvesvoto chaizvo. Ndakaona kuti zvese zvainge zvapedzisira kutaurwa naMelo
izvi tete Lesly vakavhunduka plus vairatidza kuvhiringika kuti Melo aimbotii zvikanzi "nhai gulez kari kumbotiiko
kamunhu aka?" Ndisati ndapindura Melo ainge atoitenga zvikanzi "hapana chauri kumbonyepera kusanzwisisa apa
ndiri kuti Andrew wako ane AIDS seni plus ndiye baba vemwana wasisi Tale ava vauri kuti gulez plus ndiye baba
vemwana wangu uyu iwe mbudzi iwe" Tete Lesly vakaita kuvhura maziso zvikanzi "Whaaaat!!!" vakadaro
vachidonhedza kabottle drink kemvura kavainge vakabata. Tese naMelo takatombo vhunduka nezi whaat ravo
ndokuramba hangu ndiri zii. Ndakaona tete Lesly musodzi yaakuyerera zvikanzi "gulez tell me, is she telling the
truth?"Melo akabva aridza tsamwa ndokunhonga mwana wake pasofa ndokubva abuda ndokutisiya tiri two.......

Ndakabva ndatura befu ndichishaya pekutangira ndikati "ndaishaya kuti ndokuudzai sei tete, ndaishaya
pekutangira but ndaida kukuudzai hangu kuti munhu wamuri kuti mukomana wenyu uyu anotorwara wo zvake"
Kuzovadaro tete vagu musodzi yainge yaakuita kunaya kuface kwavo ndikati "Andrew hapana zviripo zvemunhu
tete, akadanana naMelo abva muno uyo ndisingazvizive kusvika ndazovabata red handed ndokusiyana naye
ndikatakura mwana wangu kuenda kumusha, vakasara vachigara vese semurume nemukadzi naMelo iyeyu
wamaona uyu kusvika vanyandurana ndipo pavakazoita aziva kwake aziva kwake Andrew aakungoita zvevakadzi
zvekuti pandakakuonai musi uya muchitengerwa necklace ndaitorwadziwa hangu but paisave nezvekuita" Vainge
vaakungochema zvino non stop ndokubva ndaenderera mberi nekutaura ndikati "zvataura Melo ndizvozvo and
Melo wamunoona iyeyu akanditadzira zvekuti nyangwe nanhasi ndikamutarisa musodzi yangu inobuda ndiye
akaparadza imba yangu kusvika ndazotanga kuchengetwawo naCharity ndikawana basa ndiri pano pamba pake
kusvika ndizosangana nehanzvadzi yenyu " Vakambomira kuchema ndookupukuta musodzi zvikanzi "please gules
be honest with me, zvataurwa zvekunzi Andrew ane AIDS ndezveshuwa here?" Ndakabva ndavaudza sekuzivawo
kwangu ndikati "ishuwa, Andrew,,,,," ko ndakambopedza kutaura kwacho here vaakuita kubongomora mhere
chaiyo zvikanzi "that man is a devil,I hate him!!! Ndakabva ndati "ndakatozvizivawo musiuno tete ndiina Henry
paakauya achida kurova Henry akazodonedza kabag kaaive nako kaive nemapiritsi zvikanzi "hii saka Henry
anozivana naAndrew ndikati "yaagh akatomuzivirawo ipapo zvikanzi "ndamuvenga pasi nekudenga gules
akandinyepera kuti mukomana haasati amboroora zvekuti akatondipa ring marimwezuro achiti arikuda kundiroora
nxii, ndavenga wese anonzi murume gules, they are heartless!!" Vakadaro top yavaive vakapfeka yaita kutota
nemusodzi,zvino twuma sun glasses twavainge vauya vakapfeka twainge twabviswa munhu aakuchema
zvekwamberi ndikati nhasi hangu...Melo aive apinda muroom make ari busy kutamba nemwana wake achiimba
ndofunga zvaive zviri zvekuda kusvotesa tete Lesly nekuti Melo aisambove nenguva yekutamba nemwana wake
ndakatoshamisika musi uyu kuti ko kwaitei,anonzi Melo iyeye zvainge zvakakwidza zvekwake...

Tete Lesly muchemero wavaiita wairatodza wega kuti vanenge vaive vakamborara naAndrew chete saka
ndakarovera moyo kudombo ndikati rega ndibvunze ndokuti "asi mainge makamborara naye here nhai tete
Andrew wacho?" Vakabva vamboramba vakanyarara vachingochema zvikanzi "ehe gulez , ka 3 kese, but pekutanga
nepechitwo ndiri kunyatsoziva kuti takaprotecter asi pechithree apa handisi kunyatsoziva nekuti tese tainge
takadhakwa and zvakaitika last week iyo" Hey painge pakaoma hapo wena. Ndozviye zvinogara zvichitaurwa kunzi
vasikana dzikamai, dzidzai kupa nguva mukana mufunge. Kurara mese haisiyo true love, unenge uchitochipiswa
ndiwe unongopera value iye mukomana anongonotsvaga umwe futi achiri kuzvinzwa zvichingodaro.Tete Lesly
vainge vatove zuru rakapinda nyoka kare kare, rainge rangove zita kuti musikana, but hapana zvavainge
vakambosiyana nesu ana mai Tadisa and paisave newekuchemera nekuti this was happening beyond her control.
Ikoko kutombobvuma kunyengerwa uchinzi ngatidzivirirei tirare tese uchibvuma, hutori hunzenza chaihwo nekuti
mangwana anogona kuzokunyengerera kuti ngatingoitei zvakadaro ndipo pakuzoita hwaana tete Lesly. Munhu
wemusikana unotozoroorwa muviri waita mabota mabota nekuda kwekungobatwa nevakomana, ndipo pakuzoti
maroorana mukachata munobva kuhoneymoon musingataudzane nemurume,, dzidzai kumirira kani, hapana
chinotiza...

Vakabva vamira kuchema zvikanzi "please gulez ndiri kutya ini, handisi kuziva kuti ndodii,and Henry akazviziva
ndinofa hangu nekurohwa ini akamborova umwe mukomana wangu vationa tichikisaana mumota saka kubva
ipapo ndinotomutya Henry please gulez musamuudze ndapota" Ndakatoona kuti tete vangu vaisanzwa shuwa, iko
kusatombonyara kutaura,,, ndakabva ndati "hoo" zvikanzi eh gules ndaakutotya kana kunotestwa handidi
kutomboziva kuti zviri sei ndingastroke ndazoudzwa zvimwe. Ndakatombozama kuvaudza kuti zvaitove nani kugara
vachiziva status yavo zvikanzi "kana,,, pamwe ndakatozorwa chirwere ndiri kutya ini and ndapfidza ". Ndisati
ndapindura vakabva vati "please gules find a place in your heart to forgive me, ndange ndichinetsana nemunin'ina
wenyu nenhau yemurume asiri wedu tese and ndatoona kuti mune moyo wakanaka nekuti after all zvamakaitirwa
naMelo muri kutomuchengeta nemwana wake, zvinova zvinhu zvisingagonekwe nevakawanda" Ndakavaudza kuti
ndaisave neproblem navo asi kuti ndini ndaitotadza,ndaiverengera kuvaudza chokwadi" zvikanzi nyangwe dai
maitaura gules zvainge zvakangofanana takarara tese kare who knows, pamwe chakatobaya chikatyokera"...
Nyaya yacho yainge yakaoma, rakazongove zuva taitosuwisa tete vangu misodzi yaingobuda.
Ndakatozovaperekedza kunokwira kombi kuti vaende kumba vangoti una una zvino vachingoti Andrew will pay for
this haangambondizore AIDS inini imbwa yemunhu he is very wicked" Ndaigotii hangu ndaingovasimbisa hangu asi
ndaiona kuti munhu ari kurwadziwa...

Ndakazovasiya vakwira kombi ndokudzokera hangu kumba, ndakangosviko nanga muroom mangu
ndokutowana,aikazve sisi Melo varimo muroom mangu akabata tablet yangu achitosekerera,ende haana
kumbozviona kuti ndaimuona. Ndakaswedera padhuze ndokuona munhu ari busy ku zoomer pik raHenry
ndoraisekererwa kudaro ndofunga nechemumoyo zvaingonzi "uyu ndinomutora futi uyu" Ndakabva ndamuti zvino
haunyare so uri kuitei?" Akaita kuvhunduka achikandira phone pamubhedha ndikati ko uri kuvhundukeiko ndakatii
nenyaya yekubata zvinhu zvangu?" Akabva atenderedza maziso ake zvikanzi "haa sisi Tale ndandichionawozve
bamkuru ko vanorambidzwa kuona here haiwawo munobva mamuita segoridhe sei kowo tibvi...." ndakabva
ndamugadzika mbama akarivara ndokunyatsomurova kumeso ikoko kwaive kwakazvimba zvikanzi "nxii sisi Tale
maane hutsinye weekend ngaikwane ndiende kumusha hangu kwete kundibata junk kudai zvamuri kuita" aitodaro
achibuda muroom mangu ndikati "ibva iwe buda wakanyarara " achibva aridza zitsamwa hake mwana wemunhu
ko ndozvaaive ka Melo, aingofa akadaro kusvika apinde muguva mwana wamai vangu. Rough ndopaive pamusha,
maingoremekedzwa chete kana aine zvaanenge achida pamwe pese apa munenge muri imbwa dzake
muchingoridzirwa tsamwa. Kumusha ndiko kwaaizoenda manje paweekend ndaitotya hangu kuti bamunini
vaizobirwa huku dzavo nekuti Melo aida kudya zvinonaka hake, aigona kutobika huku yese akairinha vanhu vese
vasipo akaipedza akasuka mandiro. Charity akazouya ndikamutsanangurira nezvatete Lesly akati "inga pakatoipa
zvekurevesa tete vako vanenge mudi wezvinhu futi vaye" ndakaseka hangu ndokubva Charity adeedza Tadisa
panze paaive achitamba zvikanzi "Tadi huya utore mabanana andakuvigira aya mwanangu" Akazosara osvika
mwanawangu atotangirwa naMelo kare kusvika kunge ndiye ainge adeedzwa. Ndakabva ndamuti " ko iwe
wavingei?" zvikanzi "ndauya kumabanana amuri kudeedzera Tadisa" Takangotarisana hedu naCharity nemuitiro
waMelo wekukara uyu Tadisa kachibva kasvika ndokubva apihwa mabanana ese naCharity ndokubva auya
kuzogara pamakumbo pangu kuti ndimudyise. Melo zvakamubhowa achibva aridza tsamwa ndokubva asimukirwa
naCharity zvikanzi " nhaimi amai Enduru ndianiko wamabatisa mari yenyu yemabanana wamuri kuridzira tsamwa
hindava uine dzungu iwe?" akabva abhidhaira achidzokera kwaive nemwana wake muromo uri mumhuno
ndikamuti kukara ndokunokubaya ". Mother vakazobika ndokupedza akangozvivharira muroom make imomo
ndikavati vasamudeedze kana ave nenzara aizouya, ko painge pasina boy rake zve......

Mangwana acho ndaisaenda kubasa hangu sezvo ndaive paoff kubva nezuro wacho. Off yangu yaive ye 3 days
kubva Wednsday kusvika Friday saka ndaitozoenda kubasa Monday yacho plus weekend ndoyandaida kunosiya
Melo kumusha nekudzoka. Tete Lesly ndakazovafonera zvikanzi "ndiri kungotya gulez, hana yangu iri kungorova
kuti pamwe ndatove HIV positive", ndakabva ndangovaudza kuti vaende kunotestwa but vaiita kutsika madziro
chaiko saka ndakangotiwo hamenooo, ko ndini ndainge ndadii. Pandakapedza kutaura navo phone yangu yakabva
yapinda message ndokutarisa kuti ndione kuti yaive yabva kunaani ndokuwana iri yaAndrew. Ndakatoshamisika
kuti ko Andrew aidei futi nekuti ainge akapedzisira kutaura neni kare mazuva aainyengerera kuti adzokerane
neni.Ndakaivhura hangu ndokuona iri yekundituka yainge yakanzi "uri mbwa Talent,wakandirambisa nemusikana
wangu iwewe mese nechimunin'ina chako chipfambi icho muchimuudza kuti ndinojucer zvaive nei nemi, pane
chinoshamisira pakunwa maARV here manje manje ndiwe unenge waakuanwa unofunga kuti zvikomba zvine
mazimota zvaunochinjanisa izvo zvichakusvitsa kupi?" Ndakatoona kuti Andrew aitove muyedzo chaiwo
ndokumusenderawo message ndikati "zivai zvekujuser makanyarara baba tombi musatisemese"Ichingoti message
sent ndakabva ndanzwa huta yemota kugate, ndokubva ndabuda hangu kunotarisa kuti ndiani sezvo mother
vaigeza hapana umwe aimbokwanisa kunotarisa plus Melo aingoswera akarara achiteerera maronda ake.
Ndakasvikovhura gate ndokuona ari mudiwa wemoyo Henry, ainge ateera kuzoona mbenembe yake, ko nezuro
wacho tainge tisina kuonana ka sezvo ndainge ndisina kuenda kubasa.Ndainge ndaita kurohwa nekasurprise visit
chaiko naHenry ainge asina kumbotaura kuti ari kuuya zvake. Moyo wangu wakafata chaizvo ndichimuona
ndakamboramba ndakastiker pagate ndakamutarisa ndichisekerera hangu iye ndokuramba akamira akazembera
paDiscovery yake maoko ari muhomwe akanditarisa neface izere nyemwerero zvikanzi "mhanyira dady tione Tale
wangu" ndainge ndaakunyara nyara ndokufamba hangu low low ndichienda kwaaive...

Ndichisvika paaive ndakatambanudza ruoko rwangu kuti ndimumhorese zvikanzi nhasi hakuna izvozvo, apo
aitodaro achindimbundira. That was my first time kuve close naye zvekuti ndakatomborohwa nehana, ko ndainge
ndakazviguma kare ka nhai veduwee zvekupihwawo hug izvi. Akatoramba hake akandibata kana kumbogaya kuti
taive kunze kwegate mugheto fut ,hameno kuti aiti ndekwavo here ku Mt Pleasent kumadheu dheu. Akabva
aramba akandibata ndokunyatsonditarisa kuface zvikanzi "ndange ndakusuwa babe wangu ndange ndaakutopenga
nekukusuwa ndinoda kugara ndichiona face yako evry minute" Kuzondidaro ndainge ndaakungosvoda svoda zvino
plus nekubatwa kwandainge ndakaitwa muviri wainge waoma, kunge dombo chairo,akabva azondirega zvikanzi
"uri sei nhai babe wangu,? ndikati "ndiri bhoo zviri sei " Aingochema chema nenyaya yamudhara wake kuti
vaibatikana chainge changosara kuenda navo mhiri kuti vambonorapwa ikoko. Akazondinakidza hangu zvikanzi
"dai wange usiri pabasa ndaienda newe shaa handichatogoni kugara ndisingakuone kungoti nezuro ndandiri
busy,nebasa sezvo ndirini ndaakumanager zvinhu zvese zvamudhara plus vanenge vachida kunoonekwa
kuchipatara saka hey ma1 chaiwo apawo Lesly anenge ari busy nemabuk ake ndendichida kuti ambondibatsira
kuoffice kwamudhara uku" Ndakangoti nechemumoyo tete Lesly hapana busy yavanenge vari avo dai aimboziva
kuti nezuro wacho ainge aswera neni aisambodaro. Ndaingomuti "zvichaita don't worry zvikanzi "ndichakusiisa
basa uuye kuzoita secretary wangu kubasa kwedu" akatodaro achisekerera ndakaseka hangu ko zvebasa
zvinomboda vanhu muchidanana here, hapana chinofamba taizongoswerera kuyemerana basa rakamira saka
ndakamuudza kuti hazviite zvikanzi "nyangwe ukaramba hako ikezvino asi ziva kuti tichazongoshanda tese uri
secretary wangu kana ndakuroora" ndakaseka hangu. Akabva ati ndakuvigira pizza ndokubva aitora mumota
zvikanzi ndiri kuda kukuduyisa huya padhuze. Ndakamboramba ramba zvenhando ndokuzoswedera hangu
kwaakutanga kudyiswa apo zvese izvi zvaiitirwa kunze kwegate, mumba ndaisamboda kuti apinde, ko aipinda
kuzotsvagei, ndopakuzopedzisira maita zvisizvo

Takazotanga kutaura nyaya tiri pamota paye kusvika ati "ndaakuenda ndoubva ndamuudza kuti weekend
ndaizoenda kumusha kunosiya Melo. Pandakamuudza kuti ndaienda nemakombi akabatikana zvikanzi dai waigona
kudriver ndaikupa mota handidi kuti uite zvemakombi izvi Tale" Akabva anditi aizonditsvagira driver waaizopa
mota ndoenda naye, ko ndaiitwa murungu chaiye ka. Iyeniwo ndaingoverengerawo kutora liscence apo ndaitove
neadvantage yaCharity aitogona kudriver zvekuti aigona kutozondidzidzisawo asi ndaingozviitira nungo hangu.
Akazonditi aizotumira driver paweekend aizoenda neni ndokubva ati ndaakuenda. Takaonekana iye achisimudza
mota yake achienda ini ndichi pinda mugate hangu ndakatakura pizza yangu yandainge ndatadza kupedza , ko
ndaisadyira nhafu ka saana Melo. Ndichipinda mugate ndakasangana naye achifambisa kuuyawo kugate ndikati
"kwakanaka here mukumhanyireiko kudaro? ndandaonaka speed yacho zvikanzi ndanzwa kutinhira kwemota ndiri
mumba umo asi bamkuru Henry vanga vauya ?" Ndakadzungudza musoro ndikati saka ndozvawange wavinga here
kuti uzomuona manje wadzva atoenda" Akabva aridza tsamwa zvikanzi "nxii handina basa naye ini ndipeiwo
zvamakabata ndidye hangu" Aida kudya Melo ainge atokumbira kare ndokubva ndamunyima hangu ndikati
"wozotengerwa nezvikomba zvako kana zvabhadhara musiidzanwa wako uye wawaiphonera" ndakadaro
ndichipinda mumba nebox rangu ndokumusiya akanyinura ari panze muromo uri mumhuno

.Weekend yakazosvika ndokurongedza twunhu twese twaMelo driver ainge atumwa naHenry ainge atotimirira
kare kugate. Akataura kamwana kake nekasatchel kake ndokupinda mumota. Ndakaoneka mother naCharity
ndokuvaudza kuti ndaanda kumbonosiya amanyena ava kumusha vakaseka havo. Tadi ndakamusiya aina Charity,
this time akaramba kuenda zvainge zvakakwidza asi dai taienda naHenry aibvuma. Ndakabva ndagara hangu
kumberi nadriver iye ndakamuti agare kumashure nemwana wake. Mota yakasimudzwa yakananga Hwedza sisi
Melo vaingofijita fijita vari kumashure ikoko ndofunga zvaingonzi driver ndioneiwo imi... ko Melo ndaimuziva ka,
aive member inokwikwidza, ndakangoti hamenooo, ndaingoita sendidiri kuzviona hangu. Tiri munzira kuenda tave
paMushandira paye tete Lesly vakabva vaphona zvikanzi "ndazorovera moyo kudombo gules ndikanotestwa
ndaona kuti kugara ndichitya hakuna zvakunobatsira" Ndakabva ndati magona, saka arisei maresults?" zvikanzi
abuda ari ......"
CHAPTER 47

Vakabva vati "abuda ari negative gulez ndiri kufara " ende ndokunonzi kupona nepaburi retsono uku,ndachera
chikomba handichadi zvevarume izvi" Kana neni ndakatura befu chairo kuti at least zviri nani,tete vainge vasina
kubatwa chirwere. Ndakabva ndati ,"iiih totenda Mwari tete kana zvakadaro shuwa manzvengeswa shuwa"
Vairatidza kufara tete vangu imwe pfungwa yakambonditi ko kana vari pawindow period chirwere chiripo hacho
ke?" Pfungwa dzangu dzakabva dzati "waakutanga kufunga zvinhu zviri negative mai Tadisa chii newe?"
Ndaingozvitongesa hangu tiri mumota muye, hapana aitaura nemumwe, driver airova mota ari zii hake, Melo
aingokweshana nemwana wake ari kumashure achingofijita fijita zvino munhu waaitira izvozvo aisambozviona
hake aitodriver achiteerera gospel music yaKudzi Nyakudya paalbum rine imwe song iye yekuti "ndiani, ane
zamba". Vanenge vaitofarirawo zvegospel mukoma vacho ,taibva taenderana nekuti ndiwo mamwe emasongs
ataiimbawo kwedu ku AFM. Ndakaona Melo aakuti "nhai driver chimbochinjai ka music tinzwe hip hop,kana
dancehall kana muinayo" Ayas ndakamboda kuseka hangu, ko ana Melo zvegospel music zvaitovapisa ka, ko Melo
aitove dhimoni pachezvaro ka, saka kutoridza gospel zvezvichitomusvota. Driver uye akabva ati "handina zvese
izvozvo sister inga idzodzi dziri kunakidza wani asi hamudzifarire?" Akabva atanga kungoseka seka kuvhara nyadzi
zvikanzi "aagh dzinofaya zvadzo" Aagh ndakamboda kuseka hangu ndakatozovhara setswa dzangu nefon yangu
yainge yapinda message...

Yainge yabva kuna Henry iri yewhats app. Henry zvewatsapp aisazvifarira aiwanzo fona kazhinji kana achida
kutaura neni. Ndakabva ndaivhura hangu kuti ndiwone kuti baba bhoyi vaitiko mutsambanhare yavo. Ndakaseka
hangu zvainge zvakanyorwa naHenry mumessage umu. Yaive yakanzi " muri seiko Mai moyo hakasi kukujairira
here kadriver ako, kana kakangonetsa chete undiudze ndosvika ndichidealer naye kana achida zvechisveru newe
ngaatambe namainini Melo kwete newe babe wangu". Paakataura nezva Melo apo ndakaseka hangu. Ndakaona
Melo aakusuzumira kurebesa huro kuda kudongorera phone yangu ndofunga aida kuona kuti ndaisekei. Ndakabva
ndainzvengesa ndokubva aridza katsamwa kepasi pasi kuratidza kubhoikana, ndofunga aisada kunzwikwa nadriver
achiridzisa zitsamwa, ko aidaka kuratidza twuhunhu kuna vamutyaira sezvo ainge akatovataimira. Zvino driver
vacho vairatidza kuti vanenge vaive brother vekuchurch saka Melo aisambohwina zvake. Melo aitove neshavi
chairo rechipfambi,, kana kumusha ikoko ndaitotya kuti raini rese rainozorwa chirwere nekuti Melo kwaingove
kusakara sakara hake nekurwara but kunaka ainge akanaka zvekuti akapoda zvake zviye zviye, twumadhara twese
tweraini kana twukomana aitwupedzera. Bamunin ndovaizongomuorora chete, vaisada matakanana ese
iwayo,Susan akamborohwa ndiripo awonekwa achibva kuchikoro neumwe mukomana, zvekungobatana road zviye,
akarikitwa kunzi waakuoita zvevakomana size yako iwewe" Aitovaziva baba vake kuti vaitinha, saka aisaita
zvemafunnies. Zvino Melo ndiye wavaizoita zvinogara zvakadaro manje, kunyenama kwese kwaipera uko.

Akazondinakidza taakusvika paHwedza Centre zvikanzi "sisi Tale, nditengereiwoka something chekungodyawo" Iko
kuzoti sisi Tale kani. Ndakabva ndamuti "inga tabva tanwa tea kumba wani, saka nzara yabvepi?" Zvikanzi
"ndatopera basa ini sisi Tale nditengerei kana maapple zvawo" Ndakabva ndaramba ndiri zii zvangu kuita sendisina
kuzvinzwa.Akatoona kuti hapana chimuko apa zvikanzi "nhai bhudhi, hamunawo here mari mugonditengerawo
maapple ndonokupirai mari yenyu mberi?" Iiih😬 Melo ndaitomushairwa pake chaipo ini. Kukara
kwaimushungurudza mwana wamai vangu. Ndakaona brother vaye vakuburitsa mari muhomwe yeshirt yavo
ndokumutambidza. Ndakavanzwira tsitsi ndikati nechemumoyo "shame muiwane mari yoyo". Melo aive munhu
wematricks manje, plus nechipfambi chemumabhawa chaainge amboita ichi ainge ave neka experience, brother
ivava pakuzobvunza mari yavo vaigona kuzo shootirwa mafirimu, vakapedzisira vaakudanana. Maybe mukana
ndowaaizongoshaya bedzi, nekuti kumusha taitoenda nekudzoka same, day ndosaka ndainge ndakasika kuenda.
Mwana ainge akungochema ndakatoona kuti anenge aive aakuchema nzara nekuti aisayamwa mukaka wepazamu
saka ndakabva ndaudza driver kuti vamire paHwedza Center nditsvagire mwana zvekudya plus ainge ati kurei
zvekuti aitokwanisawo kudya kana mabanana nezvimwewo. Ndakabva ndatenga mananana aye , Melo ndokutenga
maapple, nemari yekwadriver iya. Ndakabva ndamusvitsa kuti amupe, ndokubva ndati driver arove mota
takananga kwedu. Ndofunga pese pandaive busy kupa driver madirections kuti anofamba sei kubva paHwedza
centre kusvika kuChigondo , ndipo pakadyiwa mabanana aye naMelo. Ndakazocheuka kudai ndokuwana kwasara 1.
Unoita kupera power shuwa kuti mudyiro rudziiko kudaro kuita kunge aidyirwa nechikwambo. Ndakabva
ndangomutarisa neziso raitaura rega kuti "haunyare wakaita sei" Iye kana kumbogaya zvake, akabva
atotenderedza twumaziso twake.Tym tym ndakazocheuka ndokuona ati rashu kurara mumota imomo, mwana
angonzi gunduru paside.Aitadza nei kurara nemudyiro iwoyo waaiita kunge munhu anopenga. Apo kurara kwacho
akavhura makumbo, ndakangoti nhasi zvangu driver vanopinzwa pamuyedzo ndokutora zambiya muhandbag
mangu ndokumuvhara twumakumbo twake twaainge aita kuyanika panze kudaro.. Ainzi Melo, iyeye, aisapererwa
nemaplan....

Kuma12 tainge tadonha maRuocha. Bamunin ndakatosvika vari busy kunetsana nehuku dzavo, dzinenge dzaiisirwa
chikafu, here hameno kuti zvii zvaiitwa handina kunyatsoona semunhu ndandisati ndaburuka. Vamwe vanenge
vaive mukitchen hatina kuvaona panze. Ndakabva ndaburuka nadriver, bamunini ndofunga vainge vasina
kuzvinzwa kuti pasvika mota, ko nzeve dzainge dzarodoka, nenoise yemabrailor ka, baba vangu. Vakatoshamisika
vachindiona ndichisvika hangu ndiina driver. Melo ainge asara ari mumota ndofunga aitya kubuda.Ainge
akamboroveswa marathon nembwa saka aitoiziva nyaya yacho kuti baba vake ava vaisaitirwa dzungu. Vakabva
vatanga kuzunza maoko avo bamunini kuti vatimhorese zvikanzi "Aagh vekuguta, ndimi madai kutitsika
takavarairwa nengoro yemoto iyi?"Moto yengoro yairehwa yaive mota, ndakaseka hangu mutauriro waiita
bamunini uyu. Takabva tavamhoresa ndokubva vadeedzera vanhu vaive mukitchen zvikanzi "Josiah mumba umo
huya nechituru nerukukwe sisi vako vauya budai muvaone" . Susan akabva auya achimhanya
ndokusvikondimbundira zvikanzi "muri sei sisi mai Tadisa" Zvinongofadzawo mufunge vanhu vachifara kudai kana
uchisvika panzvimbo kwete kuti vanhu vanotosunga face uchisvika. Melo aive mumota ari zii zvekuti vanhu havana
kuzvinoticer . Mainini vakazobuda mukitchen ndokubva tamhoresana aiwa vaifara chaizvo. Yaive weekend
ndosaka susan aive asiri kuchikoro Josiah ainge akapedza gore rainge rakapera racho, akafoira ndokugara hake.
ndakaona kuti aifara munin'ina wangu nekundiona, baba vaingochema chema kuti "ko masiireiwo muzukuru
wangu veduwee?" Ndakaseka hangu ndikati muzukuru wenyu ave wekuchirungu haachadi zvekumusha vanhu
vakaseka havo.Pakupa maintroduction ndakabva ndanyepa hangu ndikati "ava ndinongovaita mukoma,
ndevekuchurch kwedu, saka ndangodirawo fuel mumota mavo ndikavati vauye neni kumusha kuti
ndizombokuonai " Ndidriver vandaiti mukoma vekuchurch,, ndainge ndaakunyepawo munhu mukuru. Ivo vakabva
vatozvibvuma ndakanzwa bamunini vaakuti kuna driver wa Henry uye "aiwa ndinokutenda mwanangu,
wabatsirawo mwanawangu nemota kuti aite mufamba nyore, kungoti road dzedu idzi dzajaira kufamba ngoro
chete" Iye anenge ainge atobatawo munyati kuti ndaivhara machembere angu aya, zvikanzi "aiwa ndizvozvo baba,
kungobatsiranawo sevanhu vanopinda vese church" . Dai Tadisa aivepo nekungwarisa kuye ndainyara hangu, kana
dzaHenry dzaibva dzangotaurwa pavahu ipapo, ko aive akapaparika ka mwana wangu. Ndaitoshaya kuti ndoitanga
sei nyaya yandainge ndavinga chaiyo, kuti ndainge ndavaigira mukwende muviri waive mumota. Ndakambotaura
nyaya zvishoma ndokuzorovera moyo kudombo....

Ndakabva ndavaudza kuuya kwainge kwakaita, Melo nezvekubaiwa paruoko zvekumashure zvainge zvamboitika
paakarwara nesick zvese nezvekuzobatwa AIDS ndakazvitaura. Zvechirwere vanhu havana kumboshamisika nazvo
havo, vaingoziva kuti ndiwo aizongove magumo azvo. Bamunin vainge vakateerera havo ndichitaura
ndokuzovaudza kuti ndainge ndauya naye kuti vambomupinza mugwara. Havana havo kuda kutaura zvakawanda
bamunin sezvo ndirini ndainge ndauya naye. Ndakazonzwa vaakumudeedza zvikanzi "iwe saskamu iwe, buda
imomo uuye utikwazise, uchagara imomo kusvika riinhi?" Takaona aakubuda akabata kamwana kake kasatchel kari
mumaoko achinyepera kunzwisa tsitsi. Iko kutozokwazisa vanhu zvine hunhu, ndopandakaona kuti Melo anenge
aizviitisa hake, ainyepedzera kunge munhu ane mamhepo dzimwe nguva. Bamunin vakabva vatomuudza ipapo
zvikanzi "Ryt pano panonzi pano, ndichatokunyorera list yemutemo yandinoda kana uchida zvekuti tigarisane
pano!!" Ndakamboda kuseka hangu apo bamunini vaitotaura vakaperera, zvikanzi "ndanyara sisi vako vauya
kuzokukumbirira ava, dai ndange ndiri ini waisambopatsika pano, pamwe waipatsika wave muguva nekuti
handiwirirane nehunhu hwako chaiwo, uri nhinhi, kanyemba kasingaibve, plus une muromo wakarodza kunge
mbezo haugoni kutaura manje pano zviri kuzopera wanzwa mwana Ezekiyeri?" Ezekiel ndoraive zita rababa vangu,
ndakaona Melo aakugutsurira musoro, zvikanzi nabamunin don't worry, uchapinda mugwara, haubude pachivanze
pano, tichamakana chaizvo zvekuti uchaona kuti Jeso idombo, kana sisi vako vaikufuridzira kuHarare ikoko ini
handidaro ndorovera imbwa pachinyiro, bvunza Josiah naSusan vari pano avo". Ndakasekerera hangu
nechemumoyo ndikati "zvaiwana ngwarati" Bamunini vakabva vamuti "kana kuda zvinonaka kuriiko kwakakutuma
kuita hunzenza uchaita munhu kwaye, zumbu rangu rehuku ndinogara ndakakiya, makey anogara muhomwe
mangu plus Bingo naTiger havatombodi munhu pazumbu apo unoswera wabvarurwa ndakatovatrainer saka
usambozvinyepere hako" Vanhu vese takazoseka hedu apo bamunin vaitove serious iye ainge angotsikitsira zvino.
Haana kana kutombokumbira ruregerero,zvake akatoramba ari zii akagukuchira kamudhori kake zvikanzi
nabamunini "uchakaura hako ini vanozviboster ndovandorwaririra izvezvi kutongonyara hangu mukoma vauya
nasisi vako ava, ndaidai ndakushandira kare, taizopanana mutemo inegumi ndamboku twasanudza nekuti
ndopatori neshungu dzangu" Vakataura zvakawanda bamunini ari zii kunge munhu kwaye ndokubva tazotaura
dzimwe nyaya ndokuvapawo zvinhu zvishoma zvandainge ndavatengera nekuvapawo mari plus ndainge ndisati
ndahora futi.Melo akazoenda kunosiya kabag kake mumba mairara susan, sezvo iri iyo yavaizoshandisa vese. Ainge
apusa pusa achiratidza kuti sichaz yaitomubhowa size tsvene. Idzo huku dzainge dzawanda vanhu vakatouya
kakawanda ndiripo vachiuya kuzotenga apo dzaive muzera nemuzera. Ndakafara ndichioma basa richienderera
mberi kudaro, bamunini vacho vaigonawo kudzichengeta, nguva diki diki dzaienda kunotariswa kuti dziri
sei,dzaiitwa kunge vanhu. Zvakabva zvanzi "ndaakuda kuchengeta dzemazai manje" ndikati aiwa munenge magona
chose" zvikanzi "yaagh ndozvandaakuda kutoita vanhu vari kuda nemazai acho, apo kunge vanotenga chingwa
chacho kuno kumamusha" Ndakaseka hangu mutauriro wababa vangu, ndikati "nyangwe pasina chingwa vanhu
vanongoadyawo pane zvimwe" zvikanzi hamenoo regai timboona" Takazobikirwa sadza ndokudya nekuti taida
kusimuka kuchiri kuchena kudzokera kuHarare..

Melo hapana aimbotaura naye aingotamba nekamwana kake. Pandainge ndaakudzokera ndakabva ndapa vanhu
vese mari iye ndokumujamba hangu. Ndakaona aakuuya kumota patainge taakuda kusimuka zvikanzi "ndsireiwo ka
mbichani sisi Tale, plus porridge yaJuniour ikapera handina chekuitengesa" Ndakaseka hangu ndikati "fonera baba
vake, kana zvikomba zvako zvezvikwereti zviye zvikupe mari handina mari yekutambisa plus handisati ndahora,
poridge ikapera unongomupawo yehupfu ndoinoenderana nehomwe yako plus handisini baba vaJunior saka
usandinetse" Akabva aridza tsamwa achibva pamota paye ndikamuti "uchadya tsamwa idzodzo ndaenda
ini" .Ndakamboda kumunyadzisa kuti "ko chidzorera ka mukoma ava mari yavo handiti tasvika?"
Ndakazongozvidzora hangu... Ndakazobhabhaisa vanhu vese ndokupinda mumota nadriver taakuenda. Ndakabva
ndapfuura nekwaana Charity ndichinoona vanhu , haiwa vabereki vake vaifara shuwa zvikanzi "takatougadzirira
muchato tichasagana Harare ikoko " Vaigorega nei kufara havo, mwanasikana wavo ainge adadisa hake ndikati
"aiwa tinoonana mauya, ko tisu anhu acho zve". Takazosimudza mota taakuenda zvedu. Melo ainge asara
maRuocha zvekare. Ainge ambosimudzwa naMwari kubva muguruva, achigadzikwa patafura nemachinda zvino
ainge atadza kushandisa mukana, Mwari vainge vamudzorera muguruva.Ndozvazvinoita.

Pakudzokera ainge ave kumhanya sezvo ainge ave kuziva road zvekuti kuto 5 tainge tatove muHarare.Henry
akabva afonera driver zvikanzi kana masvika mutown unondiudza. Takamuwana akatimirira paTOTAL service
station yemuna Robert Mugabe zvikanzi "driver matopedza basa so, ndaakuchipedzisawo pasara" Vakabva
vatoparadza nadriver aakutoendawo kumba kwake, achibva apinda mumota, zvikanzi "kumba ndaakukuperekedza
babe wangu, kungoti zvaisaita kuti ndiyende newe kumusha asi ndaitoda kuenda newe" Akatodaro achisimudza
mota kuti tiende ku Marimba kwedu. Akazondimhoresa atogara pastiring, zvikanzi "uri kudodii babe wangu,ndimi
muri kubva kunovasiya vekunetsa ava?" Ndaingoyema yema zvangu ndiri mumota,ko dady vaive padhuze ka.
Ndakataura dzese dzekumusha nezvese zvaitaurwa nabamunini achifa nekuseka hake zvikanzi "inga bamunini
vachatwasanudza munhu kumusha uku" .Akabva andisiya pagate zvikanzi "tiri kuda kumboona kuti dady vano
improver here zvikaramba zvakadaro ndichatongoenda navo babe hapana zvekuita" Ndakatoona kuti ndonyaya
yaimudya pfungwa chete iyoyo ndikamuti "vanoita bhoo hama usanyanyoshungurudzike" Ndainyatsoona kuti
munhu ari kurwadziwa shuwa nehurwere hwababa vake. Akabva anditambidza card rekubank zvikanzi "mucard
umu mune mari yakawanda chaizvo handisi kunyatsoziva kuti imarii asi ndiri kukupa kuitira kuti kana paine
chaurikuda unongonotora mari woshandisa" Iiih ndakashamisika ini kuti munhu angandipe card rekubank rine mari
yakawanda kudaro . Ndakamboda kuramba zvikanzi "ndomadhiri andisiri kuda iwayo babe, i know kuti
unezvakawanda zvaunoda iwewe nemwana plus Charity ari kuchata, as a best friend unofanira kumutengerawo
chinhu chihombe chaicho pamuchato wake, ingave fridge kana stove ndosaka ndiri kukupa card iroro kuti uite
maths dzako dzese " Ndakamutenda chaizvo zvikanzi "imari yako usanditende hako". Yoogh this man was too
much, airevesa shuwa, ndaifanira kutengera Charity chinhu chihombewo shuwa, ainge andichengeta semuni'ina
wake saka ndaifanirawo kumutenda. Ndakazoparadzana naHenry aakuenda ndokupinda hangu mugate.
Ndakatowana Charity, namother vachidya sadza remanheru kumapast six ikoko ndikavaseka hangu kuti vaidya
sadza masikati iwayo. Mother ndovakandinakidza zvikanzi "pamba pacho pari kubhowa tatongoti tikasire taite eat
kuitira kuti tizowane opportunity yakaite long yekutandara muchitiudze kuti mavasiya sei vekumusha ana Melo,
ange asingaite madrama here kumusha ikweyo?"Vaitotaura vakaperera , ndakaseka hangu.Ndakazovatsanangurira
mafambiro andainge ndaita zvikanzi namother " manje akaita zvekutamba nevarume vevanhu kumusha ikoko
anoroyiwa akaite rest in peace manje manje" Zvamother zvaimboteedzerwa here, maitogara mbabvu
dzichirwadza nekuseka. Tadisa kaive busy kudya sadza kari zii, kana kumbomhanyirawo mhamha. Ko aive
mudhinhiweka saamainini vake Melody...

Mazuva akafamba kubva zvandakabva kumusha.Kitchen party yaCharity yakaitwa vanhu vakabvisa zvinhu hobho.
Ndakatenga 4plate stove nemicrowave oven yacho,ndaida kuzopawo sahwira wangu musi wmuchato,ko handiti
mari ndainge ndapihwa here. Mazuva emuchato akaswedera, vabereki vaCharity nehama dzakauya tichigadzirira
zvemuchato. Vainochatira kuColray gardens, ndainge ndisati ndambokuenda, ndaida kutonokuonawo musi
wemuchato ndaingonzwa Charity achiti iri panosangana Harare drive nawinchcombe road, kana kuenda
naBorrowdale road.Henry ainge aakutogadzirisa mapepa ekuti ayende nadady vake ku U.K .Aitorwadziwawo kuti
aizenge asipo pamuchato weshamwari yake iyi ,, asi paisave nezvekuita kwaitove kutamba irikurira. Zuva raisimuka
ndege yaaienda nayo ndozuva raive nemuchato waCharity. Ini ndini ndaitove mudhuze ndichibatsirawo kuronga
ronga takamirira zuva. Hama dzaivepo jawi pamba tainge takazara. Ndofunga kwaana Charles yaivewo bata
wabata ikoko. Ini ndaitorwadziwa zvese nekufara nekuti musi iwoyo kuma 9 kuseni ndipo paizosimukawo Henry
kubva munyika. Rakazosvika zuva ratainge takamirira tikaita bata wabata kugadzirira muchato. vaperekedzi vaive
kumba kwaana Charles ndokwavaigadzirira variko . Takabatsirana nana tete vaCharity kumupoda poda nekupfeka
wedding gown, apo munakiro warainge rakaita, ko raitadza nei iro rainge rakatengwa kunze kwenyika chaiko.
Ainge ave kuita kunge ngirozi shamwari yangu ari mugown,ndaingoti ndofunga Charles wacho akaita kufa
nemucheno ikoko tichanoonerera. Evrything was fine, vecatering vainge vakatohaiwa, deco yainge yakaitwa
yekwamberi ndaingoratidzwa naCharity pafon. Ko vainge vakatora nguva yavo kuronga ka kwete zvekuti vanhu
vanozoti papara papara nguva dzapera, zvekuti vanhu vanobva vachizunza musoro kuti "iih muchato wange uri
wenzara uyu,ko vadii kuchatira kucourt havo kana vange vasina mari" Ayehwa, hatidi izvozvo....zvinhu
ngazvirongeke!!

Mota dzainge dzakatomira kugate, kuti dziendese vanhu kuvenue. Takagadzirira zvekuti kumapast 7 tainge tatove
ready, tamirira kuenda. AnaTadisa vainge vakachena haikona,ndakangoti nhaka kunofiwa. Tichiri mumba naCharity,
Henry akabva afona ndikaziva kuti aida kundiita goodbyee . Ndichingoti haloo ndakabva ndatoziva kuti Ooh finish,
Henry aiita kuzhamba chaiko pafon,Lesly ndaimunzwawo pafon ipapo kuti aichema, zvikanzi "Tale,kani dady vangu
hakusisina vashaikira mumota taakuda kutosimuka kuenda kuairport apo mama pavazviona vabva vangodonha
apo tingori two naLesly". Eish, ndakaita kupererwa, rwainge rwatove rufu ka urwu apo ndichida kuenda
kumuchato. Ndakaita nowhere, ndisisazive kuti which is which, Charity ainge aakungoti "Chii chaitika Tale,hanzii
naHenry?"ko ndandichagona kudaira here apo Henry aingochema pafon paye ini ndangoti tumbi zvino,,,,,,

CHAPTER 48

Yes, Henry ndaimuda zvangu nemoyo wese iye achindidawo but,,,, ndaivewo na Charity ainge akandisimudza
kubva muguruva so paitodiwa kufunga zvine hungwaru. Ndakabva ndatambidza Charity phone ndakanyarara
achibva aisa paloud chaipo kuti anyatsonzwa. Akabva anzwa kuchema kwaHenry na Lesly zvikanzi nhai Henry
chiiko chaitika ikoko kubva wazhamba kudaro zvikanzi "dady vangu vashaika Charity apo mama vabva vadonha".
Charity akabva ati "shame, inga zvakaoma nhai hama zvinorwadza shuwa I'm very sorry, manje ukazhamba kudaro
iwe uriwe munhu mukuru aripo anofanira kuona kuti zvinhu zvoitwa sei, panobuda chimuko here,,dai maitofonera
hama nekumhanyisa mama kuchipatara kuchema hakubetsere Henry plus baba vanofanira kuendeswa kumortuary
saka zvekuchema ngazvipere i know how it feels kurasikirwa nemubereki wako" Ndakanzwa Henry anyarara
kuchema asi ka Lesly ndiko kainzwikwa kuridza mhere chaiyo. Ndakangoti zvatete vangu asikana,,, vaiita kuzhamba
kudaro asi baba vavo pavaive kuchipatara vaisamboita hanya nazvo vakatokundwa nesu vatorwa takanovaona
vachiri muchipatara. Ndakanzwa Henry aakuti horaiti Charity mira nditotanga kuorganiser zvekufonera mukoma
Hillary nedzimwe hama. Charity, akabva ati "i know kuti you need someone, padhuze anokunyaradzawo but kuti
Tale auye right now hazviite Henry, kwete nekuti ndine muchato nhasi, asi kuti pachishona chedu semaziviro
andinoita hazvinyatsoita so kuti atotange kumhanya mhanya kuuya ikoko plus hamusati maroorana,, aigona
kuzosvika mangwana hameno kana ndakanganisa dia but ndomafungiro anguwo" Henry akabva ati "aiwa Charity
zvauri kutotaura ndizvo chaizvo, kungoti ndiye munhu wandatanga kufunga pandaona kuti ndozvatovepo plus,
today is your special day in life anofanira kuvepo muchifara pamwechete and I wish kuti dai ndiripowo pamuchato
wako Charity uri shamwari yangu but mamiriro ezvinhu ndoasina kunaka". Eeish, ndakarwadziwa, mufunge,
kufirwa nemubereki kunongorwadzawo so. Charity akabva amuti "tete Lesly ngavaendese mhamha kuchipatara
iwewe woronga zvefuneral, wakamirira hama" Akabva ati "its ok dia" ndokubva Charity anditambidza phone
ndokubva ndamuti "I 'm very sorry Henry ndozviziva kurwadza kwazvo but unofanira kuzvishingisa, mangwana
ndinouya" Akabva ati "horaiti Tale ndokubata tym tym muve nezuva rakanaka, ndichange ndichingokupa
maupdates, you have to go naCharity right now handiti" Ndakabva ndabvumira achibva akata phone.

Nguva iyoyo muroom mataive makabva mapinda tete vaCharity zvikanzi "ko vasikana chiiko, vanhu vese
vatomirira imi panze apo kuti mupinde mumota muchiri kuitei?" Charity akabva avharidzira zvikanzi "taakutobuda
tete pane pandange ndichigadziriswa gown rangu naTale". Takabva tafamba tichibuda ndokunokwira
mumota,,vamwe vese ndokuzopinda takananga ikweyo, mota dzichiridza huta dzakateedzana vanhu vachifara.
Inini naCharity tisu taingoziva nezverufu rwuye asi taitraya kusavhiringa mufaro wezuva iri, though zvaive zvinhu
zvairwadza hazvo. Takasvika vanhu vatori mavhu nemarara pavenue,, Ndakanzwa mufaro shuwa kuti shamwari
yangu ainge akaunganirwa nevanhu vese ava chokwadi. Ndakazoseka tichiri mumota tisati taburuka Charity
aakunditi "mai bhoyi handiti muri kuzviziva ka kuti ndimi best girl?" Agh ndakashamisika ini, Charity kuita
zvekundiudza ipapo shuwa, zvikanzi "hapana chekushamisika Tale, hapana anyone angakwanise kupinda
pachinzvimbo ichocho kunze kwako, saka action mai tombi ndosaka ndakatochooser dress rawakapfeka iroro
nekunaka kwaro nekuti ndaitoziva kuti ndichakujumha hangu. Akatodaro achindiseka zvikanzi hapana
chekushamisika dia kufunga kwako ndiani aizozviita kunze kwako nhaiwe?". Ndakaseka hangu ndokubva tanzi
tiburuke tichipinda mukati nekuti paitangwa neservice then dhindindi. Akapinda akabatwa ruoko nababa vake,
vakamboenda kumichato munozviziva izvi. Ndaitevera kumashure ndakabata zimuswe regown rake. Ainge
akachena sahwira wangu, kuita kunge ngirozi chaiyo, apo vanhu vaiita kutora mapikicha kwete zvekutamba.
Taingonzwa kuti katya macamera tichifamba hedu low low vanhu vachipururudza. Zvaingodadisawo mufunge,
ndakatombokanganwa kuti ndaive nenhamo yainge yakandimirira. Ndakatozoshsmisika ndichiona kuchena
kwainge kwakaita Charles wacho paakapinda. Ehe zvainge zvakarongeka,, hazvo zvaisada kubvunza. Sutu yacho
yaive yekwamberi, kuzoti kushangu uku hatitaure. Vanhu vaiita kufara vachipururudzira vaviri ava, ini ndaive
mudhuze hangu. Mufundisi vakaparidza,, shoko rakataurwa ipapo wega waibva watokungura kuti ndodawo
kuchata mangwana.Baba vakaparidza havo ivavo zvekuti dai twusikana twaivepo twaive nenzeve twaifanira
kudzidzawo kubva ipapo.Vakabva vabatanidzwa, Maring akapfekedzanwa mavows akaitwa, vanhu vachipururudza
vamwe vachitora mapictures haiwa zvaifadza kani. Pane panodiwa nevazhinji, zvekuti vanhu vakasapaona ipapo
vanotonzwa kunge vasina kuenda kumuchato.,, paye panonzi "you may kiss the bride". Ndakaseka hangu
nechemumoyo, ko zvinongonyadzawoka wakatariswa nehama dzese. Sahwira wangu manje aive mudhinhiwe
Charity,, Charles wacho akaita kunamirira chaiko ndikati nhasi zvedu. Ndofunga aitotsiva pemazuva ese aaisawana
mukana. Vanhu vakapururudz vakaombera. Aingondikanda ziso nemasmairi Charity ndichisekerera hangu, ko
zvaifadzawo ka. Cake rakazochekwa vachati vakadyisana. ,Kana ana nyakubereka vaifarawo chokwadi.
Nechemumoyo ndaingoti Mwari, bamunini vangu vari kumusha uko vanofanira kuzofarawo musi wandinochata
sezviri kuita baba vaCharity izvi. Ko zvakanaka zvinongodiwawo ka nhai. Pakafarwa vaperekedzi vakatamba
chaizvo. Music yese yaichinjaniswa kubva kuold xul kusvika kunedzechimanje manje. Kwakazotanga kudeedzwa
vehukama vachipa maspeech. Aiwa vanhu vaitaura mashoko pamusoro pevaviri ava vachitenda kuzvibata
kwavainge vakaita. Mai vake vakaita kuchema vachitaura zvikanzi "wandidadisa Charity mwanangu , wazadzisa
zvishuwo zvemoyo wedu tese kubvira kunesu vabereki vako nehanzvadzi dzako" Aagh havaitatadza kuchema kani,,
they were tears of joy. Hama dzemukomana dzaitaurawo pamusoro paCharles, haaa zvaifadza kani.
Ndakatizovhunduka paakunzi "chiregai tipedzisire nekusimudza sahwira mukuru wanyakuchata anonzi Talent ari
apa uyu ataurewo mashoko maviri matatu pamusoro pasahwira wake. Akanditarisa achisekerera Charity,apo ziso
racho raitoraura rega kuti simuka utaure ndinzwe" Ndakasimuka ndokupihwa mike. Ndakataura kusvika misodzi
yabuda, plus ndairwadziwa kuti tave kuzoparadzana nasahwira wangu uyu chokwadi plus ainge arwisa chaizvo
mukubudirira kwangu kuti ndizosvika pandainge ndave. Akazosimuka ndokundimbundira achibva ataurira pasi pasi
zvataingokwanisa kunzwa tiri two zvikanzi "its ok my friend, all is well,, ndinewe and ndiwe watiri kuzounganira
futi manje manje waakuchata,and I will never leave you, though we are going seperate ways from today onwards" .
Zvipo zvakazobviswa hama dzemurume nedzemukadzi dzaiita kuita nakwikwi ekubvisa kungozoti kumba kwaana
Charles vaive nemari yakati wandei havo. Vanhu vekubasa vaivepo hobho, vakabvisawo mapresents.
Ndakatozonzwa zvaakunzi Mr Sigh, muIndia wataishandira vainge vavatengera two matickets ekuendesa ku South
Africa kuhoney moon for 1 week" Ndokunonzi kugona kushandidzana nevanhu ka ikoko, ukaona boss vaakukuitira
favour yakadaro. Ndakazobvisawo zvngu zvipo, stove nemicrowave Charity akanditarisa neziso rekushamisika.
Ndaizviziva hangu kuti mubvunzo waive wekuti "wakaiwanepi mari Talent ?" Ndakabva ndarangarira kuti Henry
ainge akandipa card raive nemari saka ndaitofunga kuti ndaifanira kunomudzorera pamwe ndiyo yaaida
kuzoshandisa pafuneral. Vanhu vakabvisa mari nezvinhu hobho chaizvo zvekuti hapana zvizhinji zvavaizotenga
mumba mavo. Ndakazonakidzwa namother,, vakauyawo neset yavo yema dinner plates vachibva vapihwa mike
kuti vataure, zvikanzi "Ladies and gentlemen, ndiri kuite happy nemwana adadise maparents ake kudai, ndinoti
maplates aya munoitire eat mave mumba menyu muchitirememberwo ndichingoti ndinoshuvire zvimweni
zvinodakadze kudai kuna sahwira wenyu Talent, aiwa Mwari ngavaite bless this couple in Jesus name,,," Haa
kuzodaro manje, vanhu vainge vaakufa nekuseka mutauriro wamother uyu apo ivo vanenge vakatopfeka face
yebasa chaiyo, ndakangoti zvamother akomana..

Makuwerere akazopera vanhu vakadya vakaneta, chikafu chainge chakangozara plus vamwe vaingonhonga nyama
vosiya zvimwe zvese zvinana marice nezvimwewo. Mangwana acho na 8 kuseni ndipo pavaifanira kukwira ndege
kuenda kuSouth Africa, kuhoneymoon kwavo. Ndakabva ndafonera Henry ndichida kunzwa kuti zvaive sei zvikanzi
"mama vave nani, vange vagorohwa neshock asi vatookumba" Ndakanzwa nemutauriro waaita kuti munhu
airwadziwa uyu ndikamuti ndouya mangwana zvikanzi "horaiti babe, unondiudza kana waakuda kuuya mangwana
acho". Akabvunza zvekumuchato kwaCharity kuti zvinhu zvainge zvafamba bhoo here ndikati zvainge zvaitabhoo
hazvo zvikanzi better. Charity manheru emusi waachata akabva atoendeswa kwana Charles kunoperekwa, ndaida
kumuperekedza akanditi " chimbonozorora kumba, you have to go kwaana Henry mangwana" Iye kuti amboita
zvekuenda kwaana Henry zvaisaita nekuti ainge akutoendeswa kuMandara kwaana Charles, plus hazvizonyatsoiti
kuti uri muroora kumba kwevanhu uchangosvika wobva watoti ndine karwendo kuseni ndichimuka ndri kuda
kuenda kwakati. Aifanira kuenda naCharles kuhoneymoon kwete nekuti aisada kuenda kurufu kwaana Henry asi
kuti situation ndoyaimutonga, ko ainge ave mumaoko aCharles ka, munhu anenge achidawo kungospender tyme
aine chimoko chake. Aizongobatawo maoko paaizoonanawo naHenry wacho plus zvaigoita here kuti ati handisi
kuda kukwira ndege kuenda kuhoneymoon achida kuenda kurufu kwaana Henry,kana hama dzacho dzaizotii
pakadaro.

Vabereki vaCharity vakazoenda nesu kumba, nedzimwe hama asi vaitaura zvekumukira kuenda kumusha nekuti
yaive season yekurima, munongozivawo zvevanhu vechikuru, vanenge vaakutofunga mbeu dzavo kumusha saka
hapana aitomboda zvekugara. Kuchiedza vanhu vakamukira kukwira mudzimota dzavo, kudozama kuti mirai
titange takugadzirirai breakfast hapana aida, vaingoti tonozvionera mberi. Ndakagadzirira zvekuenda kumba
kwaana Henry,, plus ndaifanira kukasika nekuti ndaida kunomupa card rake raainge andipa, obvious mari
yaitodiwa kushandiswa parufu. Ndakamufonera, ndikamuudza kuti ndaakuuya,achibva ati mira driver auye
kuzokutora, ndakambozama kumuti ayehwa ndinouya nemakombi zvikanzi "ngatimbomirai zvenharo izvi Tale,
ndati driver ari kuuya kuzokutora zvemakombi izvi ndakazviramba karesa" Ndakabva ndabvumira hangu
ndokumbosanogara namother, tichitaura zvekumuchato kwataive nezuro wacho. Tainge tasara tiri vatatu kudaro
nakaTadisa kedu, zvainge zvaakutosuwisa nekuti Charity ainge asisipo. Kungoti namother,mbabvu dzaigara
dzichirwadza nekuseka nekuti vaibura masasi, plus mutauriro wavo ndowainakidza. Ndaida kuti ndingoenderera
mberi nekugara navo vachindichengetera Tadisa plus tainge taakufanira kuchitsvaga pedu pekugara nekuti muridzi
wepo ainge akusagarapo. Kwave kumapast 9 dzekuseni idzodzo ndakabva ndanzwa huta yemota kugate ndikaziva
kuti ndini ndainge ndauya kuzotorwa. Ndakaoneka mother ndokubuda gate. Ndakatoona ari same driver uye
wandainge ndamboenda naye kumusha zvikanzi "muri sei madam ndatumwa kuti ndiuye kuzokutorai hameno kuti
makagadzirira here?" Aitaura akazvininipisa, ndakatoshamisika kuti saka ndini ndaiitwa madam manje, ndakangoti
inga nhamo ine nharo iniwo Talent kunzi madam manje?. Ndakabva ndapinda ndokubva asimudza mota
takananga ku Mt Pleasnt. Taingopinda pinda nemune mazimba akanaka zvekuti wega waipa mathanks, kwaive
kwevanhu vane mari dzavo vega vega. Ini hana yangu yaitorova kuti vanhu vanonoti ndiri ani kurufu ikoko apo kuti
ndisaende zvaisaita futi zvaibva zvaita senge ndisina chido neumwe wangu but kutaura chokwadi zvakangooma
kutanga kuti tucha tucha pamba pevanhu iwe usina kana kubvisirwa kobiri zvaro. Takasvika pagate ndokubva
driver afona asati apinda zvikanzi "haloo boss ndauya navo" Pasina nguva ndakaona Henry achiuya nagulez vake
mukadzi waHillary, ndikaziva kuti vaiuya kuzonditambira.Ndichiri kunze kwegate ndainyatsoona kuti mukati mune
zimba chairo,, umu plus maitoratidza kuti mune vanhu hobho. Ndakaburuka zvangu, gulez vachibva vauya
kuzondimbundira zvikanzi "titambire mainini' ndakabva ndavamhoresa vese naHenry but ainge angori low low, ko
aizofara nepaiko iye afirwa nababa kudaro. Ndichipinda mugate, ndakavhunduka kuti asi ndasvika pacar sale here
nekuti painge pakazara mota dzemhando nemando ivo vanhu vainge vakaita masvosve. Ndakatoona kuti baba
vekufa ava vanenge vaive nehama neshamwari dzine cash, ko vaigoshaya mashamwari ane cash sei munhu
waengineer plus vaitoriwo necompany yavo vega saka havaizoshaya mabhururu ane mari hant zvinonzi mombe
dzakakora dzinonanzvana.Apo zimba racho kani,raive rino zihombe, paitove neswimming pool nekumwe kwaive
nevanhu vainge vakagara havo kwainge kwakangonaka naka kuine miti neloan yainge yakachekwa zvaiyevedza
ndofunga kwaive kwekutandarira nekuti kwaive neteuma bench netwuma chairs.Ndakangoti vamwe vanhu
vanedzimba dzavo chokwadi. Henry akabva anditi "handei ndinokuratidza ana tete vangu vari kucottage kuseri
uko" Ndaingofamba ndichiteera, gulez hameno munhu ainge avadeedzawo ndipo pavakasara vakamira.
Patakatenderera kuseri kwezimba iroro ndakatoshamisika kuona yacho yainzi cottage itori imwe imba futi yainge
yakatokura. Ndaingonzwa kuti kuchema kwevanhu mumain house ko paive parufu ka yaitongove zhowe
zhowe .Mazirume andaingoona akazembera padzimota dzavo aingoratidza kuti vaive vanhu vemari dzavo
chokwadi. Pataifamba naHenry vanhu vaingonditarisa tarisa zvekuti ndainge ndaakunyara iye Henry wacho haana
kana kutombogaya hake akabva apinda neni mumba muye, maive nevakadzi vaitotaura nyaya vachinwa madrinks,
ndakatoti inga vamwe varikutonakidzwa vamwe vachichema. Ndopandakaona kuti kana usiri iwe wafirwa shuwa
haumbonyanyorwadziwe sezvinoita nyakufirwa nekuti mugariro wainge wakaita vakadzi ivavo waitove
wekudekara. Akabva asvika neni pavaive ndichibva ndavamhoresa vese zvikanzi naHenry " ava vese vari four
ndivana tete vangu vakasiirwa namudhara" Ndakabva ndaombera zvine hunhu ndikati "aiwa ndafara nekukuzivai
ana tete ndichingoti nematambudziko atiwira aya" Zvikanzi "aiwa matambudziko ndiwaya tinawo" Henry akabva
ati "ndiye Tale wandaigarokuudzai nezvake uyu, ndiye musikana wangu wandiri kuda kuzoroora pamberi apo"
Vamwe vacho vaive vakati kurei kudarika vamwe kabva vati " aiwa ndokugona ka uku muzukuru, wagona kuuya
kuzochema tezvara vako ava, tinozvikudza chaizvo mufunge sununguka pano ndopauchagara munguva inotevera"
Vairatidza kuti vaive vanhu vakasununguka zvikanzi naHenry "ok ana tete, tichazonyatsotaura kudzimba dzenyu
zvakanaka kana funeral yapera regai ndimbomuendesa kuna gulez vake vanobatsirana 1 or 2 zvingade kuzoitwa.
Ndokubuda kwandakaita mumba muye na Henry..

Tave panze ndakabva ndaburitsa card riye muchikwama changu ndikati "ndakuvigira card iri pamwe une zvauri
kuda kutenga" Akaramba akanditarisa ndokuzunguza musoro zvikanzi " Tale inga ndakakuti imari yako wani,
mudhara wangu vange vari engineer, and I am an engineer too, tine construction company yatiinayo tine
maproperties akawanda atiinawo, funeral policy iripo, mudhara vane zvinhu zvavo, inini wacho zvinhu
zvandomanager ndezvababa vangu saka dont worry kuti mari ndoiwanepi, plus vese varume vauri kuona
vakazembera mazimota avo mabusiness patners amudhara and varipo pakubatsira pano,, so iyo mari chengeta
hako uchiishandisa zvaunoda ndeyako" ndakabva ndangogutsurira zvikanzi "ndakuudza zvese izvi kwete nekuti
ndandichida kukuudza kuti tine zvinhu, asi kuti ndandichida kuti unzwisise babe wangu, Mwari vakatiropafadza
pano pamba pedu takagadzirirwa life nemudhara afa uyu and ndiri kunyanyokutorwadziwa worse kuti ndichasara
ndichinyatsogona kuita zvinhu zvavo semaitiro avaizviita here?" Ndakamuzwira tsitsi shuwa ndakaona misodzi yake
yake yayangamara mumaziso zvikanzi "ndiri kurwadziwa Tale, baba vangu ndaivada vaive munhu ainzwisisa
chaizvo and vakabatsira vanhu vakawanda mulife yavo zvekuti ndaingoshuvirawo kuti vamboti raramei asi Mwari
vaita kuda kwavo apo mama vakatobatwa b.p nezuro apo vari kungochema kubva nezuro wacho havasi kana
kumbonyarara zvekuti ndaidai ndaenda newe kwavari but vari mubad mood plus mavari macho makazara hama
dzavo" Ndakatoon kuti aive stressed shuwa but aitraya kuzvishingisa semurume. Takatombomira ipapo tiri two
tichitaura nyaya plus aiti vaitovigwa zuva iroro.Takazoparadzana adeedzwa mumba ndokubva ndaenda kwaive
nagulez natete Lesly ndokugara tiri 3 kudaro, Tete vangu vaingochema tichivanyararidza zvekuti ndakapedzisira
ndaakunzwa tsitsi shuwa. Ndofunga kumwe kuchema kwainge kwave kuregreter time yavaiwaster vasinganooni
baba vavo muchipatara vachinyepa kuti vari busy nechikoro. Painge pasina zvekuti varoora kubika ka,, painzi
painge pakatohaiwa vecatering, zvese zvaive zvakarongeka chaingodiwa misodzi yedu kwete zvekuti ndiani
achabvisa mari yekutenga macabbage achadyiwa panhamo ndiyani achadeno. Yainge iri funeral kwete nhamo,,
varume vaitonwa havo doro rinodhura remumabhodhoro vakadzi vachiita sevachageza maoko nemasoft drinks
nemajuce parufu ipapo. Body yakazouya pakaitwa service neveNyaradzo pakaitwa body viewing, vanhu vaichema
veduweee baba vakachemwa ivavo. Vanhu vakazopinda mubhazi reNyaradzo vaakuenda kuGlen Forest
kwainovigwa munhu. Henry akabva auya pandaive zvikanzi "uku hauchaenda babe, chimboenda kumba unozorora
nezuro wakaswera wakamira futi ndichauya kuzokuona kana zvefuneral zvapera" Akabva afonera driver kuti auye
kuzonditora. Haana kumbononoka ainge atosvika ndokuparadzana nevanhu vaakuenda kumakuva ini ndokuenda
hangu kumba.

Ndaingofonerana naHenry kubva zvandakabva kurufu. Yainge yave holiday yechristmas saka kubasa ndaitozotanga
waamusi wa 27 December. Kumusha ndakavatumira mari paecocash kuti vatenge grocery rechristmas sezvo
ndaisaenda. Melo ndainge ndisingambotaure naye hangu vaingoti ari nani hake tiri kudealer naye kuno
musatye.Ndakaziva kuti aive munguva yachimbetu chaiyo, ko ndozvaaida ka. Charity ainge ave padhuze
kudzokawo kuSouth Africa ko ndainge ndatomusuwa ka sahwira wangu.Henry taingofonerana achibva azondiudza
kuti aizouya ondiwona pachristmas. Musi wechristmas wacho kuseni bamunini kumusha vakabva vafona zvikanzi
"uriseiko mwanangu ndinotenda nemari yamakatitumira Melo ndakamukwapaidzanezuro izvezvi musana
wakakwatuka neshamhu akadira mugomo wese wemvura yakaboiler paimbwa dzangu dzikakwatuka handifunge
kuti dzinorarama ini" Ndakangoti ende zvakaoma chokwadi, Melo aisanzwa veduwee. Ndofunga kupisa kwaiita
imbwa idzodzo kwaive kuda kuti dzife awone mabiro ehuku,,, ko ainzi Melo ka iyeye. Ndakabva ndati "inga
zvakaoma nhai zvikanzi " ndakamurovera kuda kuramba zvaaita nekuti tainge tisipo tese pazvikaitika
takatozoudzwa nekamwe kamwana kepanext kakamuona achidzidira mvura inopisa" Ndakatovati ende
makamugona ndizvo zvaaida kuitwa izvozvo nekuti aisanzwa. Akaitamba christmas nemavhivhi ekurohwa, ko vainzi
bamunin ka ivavo. Aifanira kuchinja hunhu hwake Melo aizozvinyanya...

Musi wechristmas wacho Henry akazouya kuzondiona masikati acho ndokubva tamira hedu kunze kwegate
tichitaura nyaya but airatidza kuti rufu rwababa vake rwaimurwadza nyangwe hazvo aiyedza kuzvikanganwa..
Tadisa akazouya kugate ndokutamba naHenry. Mai vake aiti vainge vachiri kungochema murume wavo. Ndakaona
shuwa kuti vainge varwadziwa nefufu zvemurume wavo. Takazoparadzana aakuenda kumba kwavo ndokusara
hangu naTadisa wangu namother tiri pamba. Charity akazondifonera kuti ainge adzoka zvikanzi ndozokuona
kubasa after holiday. Ko ndainge ndanonokerwa nekuudzwa zvekuhoneymoon ka.Ndakazotanga kuenda kubasa
hangu. Charity akazouya kuzondiona rimwe zuva pari palunch tikakurukura tikaseka. Imba akazonditi ndimbogara
sezvo mainge muchiri nezvinhu zvake zvakawanda. Tete Lesly vaipota vachiuya kuzondiona ende ndainyatsoona
kuti vainge vachinja hunhu hwavo. Vainge vaakutya ka sezvo vainge vambopotswa neshuramatongo. Andrew
wacho hanzi ainge achiri kunyengerera babe ndikangoti shame. Hillary mukoma waHenry akazouya nemukadzi
wake rimwe zuva pari palunch vachiuya kuzondioneka sezvo vainge vaakudzokera kuSouth Africa kwavaigara.
Ndofunga kumbogara kwavaiita vaida kumbonyaradza mai vavo. Vaive vanhu vaifara zvavo zvekuti ndairerukirwa
kana ndiinavo.Mwana vainge vasati vaanaye sevanhu vainge vasina nguva varoorana. Zvakazonzi nemukoma
waHenry pavainge vakuenda zvikanzi "mainini ndaakuenda kuSouth Africa and next time pandinodzoka ndiri
kufanira kudzoka ndichifambira zvekunobvisa mari kumusha kwenyu kuHwedza uko and pechitwo pacho
pandichadzoka pachange pari pamuchato wenyu" Ndakaseka hangu ndikati aiwa patsvene zvikanzi yaagh
taakukudai kumba uku, mama vaautozviziva kuti kune muroora wavo kuno" Takazoonekana hedu vachiti vainge
vaakunogadzirira sezvo vaida kuzokwira ndege kuseni kwacho vaakudzokera.
Takagara,chaizvo tichingodanana naHenry wangu achiuya kuzondiona. Zvekufa kwamudhara ainge aakuita
achizvigamuchira mbichani mbichani nekufambidzana kwenguva. Charity ndaingomuona hangu nguva zhinji
kubasa tichikurukura plus ndakatanga kuzviona hangu kuti anenge ainge ave nenhumbu nyangwe hazvo ainge
asati andiudza nekuti ainge aakuwedzera kusimba plus mazamu ainge akura aakutoita semunhu ane mashares
kudairy board. Ko ndainge ndakamboita mwana ka saka hapana chaive chitsva pandiri ndainge ndaakutoona kuti
sahwira wangu azvisenga. Zvinofadzawo kana nhumbu yacho iina baba vasvinu kwete zvaana Melo zvekumitiswa
osiiwa. Mother ndainge ndaakugara navo ndichivabhadhara plus mari ndainge ndisisanetseke nayo hangu, plus
Henry wacho anenge aipota achiiwedzera akanyarara hake. Aingoti "this year ndopandiri kukuroora" asi aisataura
hake nguva ndaiingotarisa hangu ko pressure yaive pazero ka, ko ndaimhanyirei. Tadisa aikurawo plus
ndakanoticer kuti ainge asisataurise maybe kunenge kwaive kukura nekuti mwana wangu aisimbotaura veduweee
and munhu waaibyatsowirirana naye ndiHenry kana ini ndaisadiwa kudaro.Henry ainge atove kumanager
mabusiness ababa vake,, aimbopota achiuya kuzondiona palunch kana asiri busy nebasa. Melo ndainzwa bamunin
vachiti zvainge zvave nani kunyenama kwainge kwaakushoma plus aisabvumidzwa kubuda yard aigara pamba
ndofunga ndosaka ainge adzikama kudaro. Ndofunga ruzevha rwainge rwamubvuma futi.

Mazuva akafamba zvekuti ndainge ndaakutoziikanwa nehama dzaHenry. Mai vake ndakazonovaona kumba, and
she was more than happy zvekuti ndaisatombozvitarisira. Pandakavaona vakabva vatoti muzombounza Tadisa
kuno ndiswere naye, ndakatoshamisika nazvo zvikanzi " hapana chakaipa mwanangu, zvese zvatinosangana nazvo
muhupenyu hakusi kuda kwedu ende hapana chandingavengere mwana wako nekuti haana zvaanoziva plus
ndinozvinzwisisa nekuti iniwo ndakachengetwa nababa vasiri vangu kubva ndiri mucheche kusvika ndiroorwe
nababa Hillary saka hapana chinonyanyo shamisa kwandiri" Mumoyo mangu ndakafara chaizvo kuti at least mai
vaHenry vainge vandigamuchirawo saka zvaive nechiedza pamberi apo..

You might also like