Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 144

----------------------------------------------------------------------------------------

(RUTENDO)
NDAKA ZOZVIPARIRA
SHUWA

CHAPTER 1

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

Dady shuwa muchato wedu uya waita Best Wedding ever mambouona sei ,,**uyu ndiRutendo
naBrian vaiva vakarara havo mumba mavo husiku ,vachitaura nezvemuchato wavo wavanga
vachangopedza kuita zuva iri, ,**,,
(Brian)* shuwa babe zvanga zvakarongeka ufunge ,ndotenda nevabereki vako vaimira mira
,varatidza rudo nekundida nezvishoma zvandinazvo izvozvi,
(Rutendo)* arrr ndaikuudza kubva tichiri mukomana nemusikana mazuva aya kuti vabereki vangu
vanokuda tarisa imba yatapihwa kuti tigare ,hauoni rudo ,
(Brian)* shuwa Rutendo ,zuva ranhasi ndoda kukuvimbisa kuti mukutambura nemukuwana handife
ndakusiya mudiwa,
(Rutendo)* unorevesa here but pane chinhu chandoda kukuudza murume wangu ,muhupenyu
hwangu newe tisaite ruchiva because ruchiva runoparira ,ngatigutsikane nezvatinazvo.
(Brian)* idzi ishuwa Rutendo handifi ndakachiva mudiwa ,,,Brian panguva iyi anobva aisa nzeve
yake padumbu raRutendo ,
(Rutendo)* nhai Dady ko mukuisirei nzeve padumbu pangu,
(Brain)* ndoda kumbohwa kuti mwana wangu akufara here mudumbu mako umu,
(Rutendo)* aaaaa Dady arikukura ini ndikumuhwa kuti akukura nekuti akukava kava ,
(Brian)* mukadzi wangu ndokuda ,kwavira chirega tirare toona mangwana undimutse makuseni
ndiende kubasa ,,
(Rutendo)* iii shamwari ini mutemo wangu ndisati ndarara ndotanga ndanamata saka hatinamate
*** BABA MURIKUMUSORO KUDENGA ,NDOKUTENDAI NEKUFAMBISA KWAMAITA
MUCHATO WEDU ,NDICHIKUTENDAI PAMURUME WAMAKANDIPA ,NDICHIKUMBIRA
MUMUWEDZERO MAKOMBORERO AMEN ,(pavano pedza kunamata vanobva varara havo,

***
((Brian aiva murume ane28 years ,anga akaroorana nemukadzi wake ane23 anonzi Rutendo ava
,vaigara zvavo mukwekwe ,Brian aishanda basa rekudriver Taxi ,vaisatambura mumhuri umu uye
vaisawana zvekuwanda but hupenyu hwavo waingovawo normal ,,))

Dady chimukai muende kubasa nguva dzakwana ,Brian anobva amuka hake ndokunogeza apedza
ndokunomwa tea zvake ,ndokubva agezesa taxi yake yaakdriver ,apedza ndobva aenda kumukadzi
wake ndokunomuti Babe ndakuenda kubasa nhasi ndichakurumidza kuuya zvangu ,because ndikuda
kuzodzoka ndichiitawo nguva newe ,Mukadzi anobva abata murume wake ndokumukisa ,ndokuti
ufambe zvakanak ,Brian anobva abuda ndokuenda kubasa ,,,**( Moziva imba iyi vanhu ava
vaidanana zvikuru ,zvekuti kana vavengi vaivenga kusvika pakuperegwa ,
Rutendo aisa terera makuhwa anotaugwa nevanhu pamusoro pamurume wake ,,,zvisinei phone yake
inobva yatanga kuringer yaRutendo ,anobva adavira
(Rutendo)* makadi mama,
(Mai Rutendo)* hesi mwanangu Rutendo ,irisei imba yako nemurume wako ,
(Rutendo)* ikunakidza mufunge mama izvezvi mukwasha wenyu atoenda kubasa hake ,
(Mai Rutendo)* hooo kana pane chinenge chashota mumba mako mwanangu unondiudza
ndokubetsera ,ndosaka ndiripo mai vako ,..
(Rutendo)* zvakanakai mama mova nezuva rakanaka ,asi kana pane chinenge chashota ndichaita
kuti ndikuzivisei ,
(Mai Rutendo)* horaiti ,,,,,vanobva vakata phone ,,,
Brian arikubasa kwake muTown akamirira kutsvaga vanhu vekutakura nataxi ,Zuva iri kwakanga
kotoda kuvira pasina munhu anga ambouya kuzokwira Taxi iyi ,Zvisinei Brian zvakamubhowa kuti
ndongodzokera kumba ndisina kana Cent here ,shuwa ndonoti chiii kumukadzi ,Brian anobva
atarisa nguva ndokuona yava (17:23 ) anobva ati better kudzokera kumba ,achisvikako anosvika
mukadzi akagara hake achiona t.v ,Brian ndokusvika ndokungozvikanda pasofa haana
chaakataura ,Mukadzi ndokuti*
(Rutendo)* dady kwakanaka here kungouya nekungozvikanda pasofa kana kutaura neni,
(Brian)* ufunge sorry hako pfungwa dzangu dzinezvadzikufunga,
(Rutendo)* ko chii nhai murume wangu ,kana iwe ukanetseka ko mwana wako arimudumbu
anozodii ,taura chii chikunetsa,,
(Brian)* nhasi ndagwadziwa shuwa vanhu hapana kana amboda kukwira taxi yangu ,vanga
vachitodarikira vachinokwira dzimwe taxi. nyango maclients angu ese apanduka hapana amboda
kukwira yangu nhasi ,izvezvi handina mboshanda nhasi uye handina kana bond coin zvaro.
(Rutendo)** arrr nhai Dady ndizvo zvamungato gumbukire izvozvo ,zvisinei murume wangu
ndatenda nekuti wazvisungura nekundiuudza ,unoziva shoko ramwari rinoti ,kuzviomesera
kwaunozviita mumoyo ndokuzviomesera kwaunenge uchiita hupenyu hwako ,saka dady
musazvidya moyo ,nekuti ukazvidya moyo ukuvhara makomborero , ini I love you ,zvisinei
mangwana musati maenda kubasa ndichatanga ndakunamatirai kuna mwari ,kuti zvikufambirei
,Rutendo anobva asimuka ndokunogara pamakumbo emurume wake vakuita dzimwe nyaya sezvo
iyi vanga vapedza nayo ,,,
(Rutendo)* dady Ambuya venyu vambofona ,
(Brian)* kwanzi chii naAmbuya vangu,
(Rutendo)* vavachiti kana tisisina chikafu tovaudza votitengera,
(Brian)** arrr ini ndonyara ,imbofunga mabururu angu ndomaona vachiendesera vana Ambuya
chikafu ,ini ndozoonekwa ndichinokumbira handigone ini,
(Rutendo)* dady remember ndakakuudza murume wangu usaite ruchiva nekuti ruchiva runoparira
,ivavo vaunoona hauzivi zvavanoita mukurarama saka usachiva ,,zvisinei regai ndokutorerai sadza
renyu ,,,* Brian zvaitaurwa nemukadzi wake aisambo zvitora serious nechemumoyo aingoti
ndozvoita vakadzi, ,zvisinei mukadzi anouya nesadza ndokudya vese vapedza mukadzi
ndokunamata ,*MWARI BABA NDOKUTENDAI NEZVAMUNONDIPA ,MUNORATIDZA
MASIMBA JESU ,NDOKUMBIRAWO MUFAMBEWO NEMURUME WANGU KUMABASA
AKE AMEN***vanobva varara havo,

Papera kanguva kakati Rebei ,Rutendo akanga ava nemwana anga ave ne1 month yekuberekwa
,mwana uyu akapihwa zita rekuti (Blessing) iro raireva kuti kakomana aka was a blessing from God
,Zita iri rakatumidziwa naRutendo achipa mwana komana wake , Brian kubasa kwake haana
kumira kuenda ,but kwaingova kuchiita magriiiii griiii, zvekuti dzimwe nguva aiuyawo ne5
dollars ,dzimwe nguva dollar zvaro ,asi kazhinji kana kutoshaya ,support yakawanda mumba umu
yaibva kuvabereki vemukadzi sezvo vaiva vakabudirira muhupenyu,,.

Brian hupenyu hwekubata tumari twekutswanzidzira hwakanga hwakumubhowa ,Brian akanga


akudawo hupenyu hunorarama vamwewo mudhorobha umu ,zvisinei Rimwe zuva Brian akagara
mutaxi yake anoona imwe mota yedzimota dzemhando ,mota iyi iri rudzi rwe (landrover Discovery
4) iyi mota haitengewi nevasina kusimba homwe,,Zvisinei anobva atanga kuyevegwa nezimota riya
uku achimedzerera mate nekurichiva ,mota iya inobva yanopaker paOK. Brian ndokutarisa
pamanumber plates ndokuona yakanzi (MAX 4) pamanumber plates ,Brian zvinobva
zvamufungidza umwe bururu wake waakadzidza naye ainzi Max .Brian akaramba akayeva mota iya
ndokuona muchiburuka exactly Max waakadzidza naye ,Brian anonobva amhanya pamota iya
ndokunomirira max kuti paanodzoka otaura naye ,zvisinei Max anobva adzoka ndokuti baaa kuona
a ndiBidza wandakadzidza naye ,
(Max)* arrrrrr Bidza ndiwe here wandikuona here apo
(Brian)* ndini shamwari , ko Matso indaba kurova unoziva usadaro Matso ,
(Max)* ndiripo mfana wangu ,saka urikudi ko mazuvano ,
(Brian)* ndikutambura Matso ,shamwari pandatokuona ndatokumhanyira nekuti
ungatondibetserewo ndiitewo sewe so ,** Matso anobva atenga kuseka ***
(Max)* haisi nyaya Brian tora $100 iyi ubatsirikane ,kana wava serious unondifonera ndokupinza
mumari ,Brian anobva agamuchira mari ,nenumber ndokutanga kufara achiti thank you bro Max ,
(Brian) saka mota yenyu iyi Dai musingafambe nayo ,ndichikusengai neTaxi yangu nekuti mota iyi
yakanaka
(Max)* kkkkk ha ndine mota 13 iyi ndotoitora sechiToy handiienzanisi neHummer H4 yandinayo
,iyi ndeyechi4 ndosaka waona yakanzi Max 4 ,kuzoti ukaona Max 5, Max 6, Max 7 ,Max 8 haa
unofa iwe ,zvisinei shamwari rega ndiende kumeeting ndokuona ,Anobva aenda Max ,Brian anobva
atoti better kuchaisa ndiende kumba ndinoudzawo Madam kuti ndakupinda machena ,,Anobva
arova taxi yake achidzokera kumba,

Brian anobva adarika achitenga grocery mutown zvaanga asati akamboita ,ko aikona nei kutenga
iye anga apihwa 100 dollars yemahara ,zvisinei anobva aenda kumba kumukadzi wake
kunomuudzawo kuti ndapinda machena ,,,
Mukadzi akagara mumba achitamba nemwana wake Blessing,, anobva ahwa taxi ichipaka panze
,mukadzi akange otoziva nesound yemota yemurume wake ,Rutendo zvakamunetsa kuti Brian
kudzoka nguva dzino sarinhi ,zvisinei akangoti nechemumoyo maybe mota yaita problem, Panguva
iyo Brian anobva apinda mumba akabata mapaperbags emagrocery ,uku achiimba **" tava kuda
kumbofarawo kandi ,ahunde ahunde ,hatingapedze album rese tichichemawo ,ahunde ahunde,
.Mukadzi anobva agamuchira murume ndokuti dady mufaro wese uyu ndewei ,Brian ndokuti gara
pasi ndikuudze ,Zvisinei vanobva vagara pasi ,Brian ndokutanga kutaura achiti,..

END OF CHAPTER 1

VAVIRI AVA NEMUKADZI UYU ,VAKAZODI PANYAYA IYI YAIDA KUTAURWA


NABRIAN ,
----------------------------------------------------------------------------------------
NDAKA ZOZVIPARIRA
SHUWA

CHAPTER 2

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

Brian ndokutanga kutaura achiti,


(Brian)* Mukadzi wangu ndikufara ndapinda machena ,handisati ndanatso pinda hangu but
ndaakupinda,
(Rutendo)* hooo mwari ngakudzwe ,saka natso taurai nyaya yenyu,
(Brian)* ndasangana neshamwari yangu inonzi Max ,haaa anga achifamba neimwe mota yekuti
nyango paadarika ndasara ndichimedza mate ,zveshuwa mota iyi ndaichiva mufunge mama,
(Rutendo) hoo zvakadi,
(Brian)* akabva andisira 100 dollars ,uye ndamuudza kuti ndikudawo kuitawo mari saiye ,ndobva
ati ndomufonera kana ndava serious ,kkkk haasi kutoziva ndiriserious ,
(Rutendo)* saka wafungei
(Brian)* hauoni kuti mukana iwowo wandatowana ,hauwanike zvekumhanya mukana wakadai
,saka rega nditoushandisa ,iwe ukufungei because ndikuona hausi kufara ,
(Rutendo)* Brian murume wangu ,chatanyanyo shaya chii, chikukutuma ude mari zvakadaro ,wani
ndakambokuudza kuti usachiva ,murume wangu siyana nazvo izvi ,!
(Brian)* horaiti ndaterera mai Bhule ,"""* nechemumoyo Brian anoti mukadzi anenge aneshavi
renhamo uyu ada kuti ndisiye shiri ichibhururuka shuwa ,mukana wandawana ndoushandisa
chete,,,,

ZUVA RINOTEVERA* Mukadzi waBrian ,anobva atarira nguva ,ndokuona nguva dzaBrain
dzekuenda kubasa dzadarika ,Mukadzi anobva avhunza murume kuti konhai Dady zvadi kusvika
nguva dzino makarara asi hamusi kuenda kubasa here ,
(Brian)* nhasi handisi kuenda kubasa ndoda kumbosvera pamba ndichikuonawo,
(Rutendo)* inga murume wangu unerudo ,saka sara uchitamba nekamwana kako ,kanondiwondesa
kana usipo kkkkk, chirega ndokubikira ,Brian anobva asara hake achitamba nemwana wake
,Mukadzi ndokumonera tauro akabva aenda kukitchen ,,***Brian ndokusara kachiti kumwana ,,nhai
Bhule ka mai kako kada kuti ndikute mari zvingaitewo here kana wakazvitarisa ,Mwana anobva
atanga kunyemwerera ,moziva vana vanongonyemwerera always ,Mukadzi anobva apedza kubika
vaviri ava ndokubva vadya chikafu chavo ,vapedza ndokutanga kutamba chikudo ,vachiita rudo
zvavo ,,,,

DZAVA 13:00
Brian anobva aenda hake panze ,ndokutora phone yake ndokufonera Max uya ,zvisinei inobva
yadavigwa phone ,
(Max)* Hallo ndiani uyu
(Brian)* mukoma Max ndini Brian ,ndonumber dzangu idzodzo,
(Max)* haa iribho ndadziona saka ndokubata byee,
(Brian)* no no no mukoma mirayi kukata phone saka makazoti kudii paya , ndodawo kuitawo semi
mukoma ,usadaro Max
(Max)* shamwari unemoyo wakasimba here ,
(Brian)* haaa wakasimbisa
(Max)* saka you can do anything kuti uite mari hantie ,
(Brian)* yea anything I mean anything I can do it ,mukutonoka ndimi apa ,matondinonokera
(Max)* its ok Unouya nhasi pamba pangu ,kuMsasa panumber 18 ndopangu, (Brian semunhu
aifamba neTaxi akabva atoziva side raitaugwa naMax neimba yacho pairi ,Moziva kana uchifamba
neTaxi unoziva dzvimbo dzakawanda)**
(Brian)* iribho mukoma rega ndigeze ndiuuye ,
(Max)* ok ,,,,,anobva akata phone ,

Brian paanopinda mumba,Rutendo anobva ati


(Rutendo)* nhai Brian wanga uchitaura nani panze ,
(Brain)* aaaa ndandisingatauri ini ,ndanga ndikatongomira,
(Rutendo)*Baba Blessing murume wangu handisi mwana ini ndakuhwa uchitaura paphone panze
apo,
(Brian)* hoooo haaa ndaziva ,ndanga ndichitaura naAmbuya vati ndigokumhorosa ,
(Rutendo)* hoo saka tauro rawakabata wafungepi,
(Brian)* ndoda kumbogeza ndimbo waya waya sezvo ndazvipa off so, Brian anobva aenda
kunogeza sezvo anga akugadzira kuenda kunoona Max ,,,Brian paanoenda kunogeza anobva asiya
phone pachager , Mukadzi anobva asara chibata phone iya ndokuenda kumaDialed calls ,Ndokuona
kuneCall yanga yaitiwa kumumhu akanzi Max ,Mukadzi zvinobva zvamunetsa kuti sei murume
anyepa achiti afonera Ambuya ,but anobva anosiyana nazvo hake ,ndokutanga kutamba nemwana
wake ,

Phone Ringing*
(Max)* hallo Master ,
(Master)* don't forget its Friday nhasi you got two days left ,
(Max)*I know master ,I am doing it so far pane 1 wandawana but ndoda kutanga ndataura naye first
,
(Master)* ok you better do so and be fast,
(Max)* ok thank you Master
(Master)* byee
Max anobva apinda mumba make ,ndokuona house maid wake achida kuvhura rimwe door
remumba umu, Max anobva ati ,nehasha ,
(Max)*Iwe Thulani ndakakuti chiiii nekuda kuvhura door iroro kasi unopenga sei usingatereri,
(Thulani)* am sorry sir
(Max)* sorry chiiiii munhu wese pano hapana anofanira kuvhura door iroro, munogara mari yangu
imomo saka makavhura door iroro ,ndikazoshaya mari yangu umwe ndomusungisa,
(Thulani)* its ok sir ndandafunga kuti maybe ndimbomucleaner nhasi
(Max)* usafe waita pfungwa yekuda kumucleaner mumba imomo ukuhwa ka,
(Thulani)* ok Sir,"*Thulani anobva atora zvikorobho zvake ndokuenda,,Max anobva atoona kuti
Thulani anga akudarika boundary ,saka Max anobva atozokiya room iyi ,kureva kuti makey eroom
iyi hapana aikwanisa kuzomaziva,saka hapana aikwanisa kuvhura room iyi kunze kwaMax,

Brian anobva apedza kugeza ,ndokubva achena achena ,ndobva atora phone yake ndokuisa
muhomwe ,paanoti achienda kunopinda mutaxi yake kuti achienda kwaMax anowana makey emota
yake hamuna ,Brian zvakabva zvamunetsa kuti makey andasiya mumota muno aendepi ,anobva
aenda kunovhunza mukadzi ,achivhunza zvehasha zviya
(Brian)* Rutendo ndipoo makey emota yangu,
(Rutendo)* ndomawanepi wakamboona ndichibata mota yako ini ,kana kuikwira ndomboikwira
here ,
(Brian)* Rutendo ndipoo makey emota yangu,
(Rutendo)* o makey ako shamwari but ndikuda kukutaurira kuti zvaukuda kuita izvi ngwarira
,zvichakuparira,
(Brian)* unozivei ko iwe,,,, Brian anobva abuda ndokunanga kwaMax Zake ,Rutendo anosara
achinamata uku achichema achinamata zvinesimba misodzi ichiyerera ,**BABA
MURIKUMUSORO KUDENGA NDANGA NDICHIKUKUMBIRAI KUTI MWEYA
YETSVINA YAPINDA MURUME WANGU ,NGAIBUDE TENZI ,NGAIBUDE TENZI ,,,***

Zvisinei Anobva asvika pamba paMax iye Brian, anobva aridza huta remota ,pasina chinguva
panobva pabuda rimwe rigiant rakasimba ,rinemazinyama aya ekudya simbi ,Giant riya rinobva rati
hey you Taxi driver y usina respect ,unoridza huta yemota yako ,wakonewa kubuda here nxaaa,
Brian ndokuti aiwa boss ndadaniwa naMax ndanzi ndiuye kuzomuona ndine business naye ,Giant
Riya ndokubva ratanga kukoka chikarabwa ,ndobva rasvipira Brian kumeso , ndokubva rati iwe
usada kutamba nepfungwa dzangu ndokuponda ponda wakamboona Boss Max vachiita business
nemaTaxi here ,Giant robva raburitsa pfuti kuda kupfura Brain panguva iyoyo Max arimugate make
anohwa vanhu vachinetsana panze ,zvisinei anobva aenda kunoona ndiani ,paanosvika panze
ndokuona ndiBig 5 ainetsana naBrian ,Max anobva ati iwe Big 5 siya munhu iyeye apine pano
ifriend yangu ,Brian anobva apinda hake ndokuenda vakanogara mushade yepaze naMax ,Big 5
rakasara richishamisika kuti koTaxi driver uyu anga achirevesa kuti ane business wani , aaaaaa ko
but Boss Max vakatanga rinhi zvemataxi ,rinobva radzosera pfuti yaro mukati meburugwa,Brian
naMax vagara pashade uku Brian achingomedza mate nemota dzaaiona mukati umu
(Brian)* ii mukoma imota here idzi ,zimba here iri ,
(Max)* yaaa ndozvoita mari ,
(Brian)* zvisinei mukoma nyaya huru yandafambira pano ndoiya ,
(Max)* wakazvipira here hama ndoda munhu anemoyo weshumba ,munhu akazvipira ,
(Brian)* mukoma haaa ini ndakazvipira mufunge I can do anything in ,ndirimurume
(Max)*kana wakazvipira you have to Join our brothers of darkness
END OF CHAPTER 2
MAX AIZAMA KUMBOREVEI ,UYE BRIAN AKAZOZVIBVUMA HERE ??ZVESE TOONA
PACHAPTER 3
--------------------------------------------------------------------------------------
--
(RUTENDO)

NDAKA ZOZVIPARIRA
SHUWA

CHAPTER 3

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

(Max)* kana wazvipira you have to join our brothers of darkness then you became rich just like
us ,ipapo ipapo
(Brian)* WHAAAAAT
(Max)* aaaa its you who want to became an idiot saka zvirikwauri kufuka kana kuwarura ,
(Brian )* inini kutengesa mweya wandakapihwa kunaSatan ,shamwari Max ndaifunga kuti
ndezvimwe zvirinani kana zviri zvekuromba bodo ,idya mari yako ini ndaenda,,,
Brian anobva asumuka ipapo nehasha ndokubuda akananga mumota yake ndokurova pasi ,Max
ndokusara achitaura hake nechemumoyo achiseka achiti * nhamo haisati yakubata kana yakubata
uchanditsvaga hako ,Max anobva asumuka ndokuenda Mumba make ,

Baba Rutendo murume wangu ko mazuvano ukumbofenerawo here mwana wedu Rutendo ava ndi
Mai Rutendo * Baba Rutendo ndokuti ha mazuvano ndatova nemazuva but zvisinei ndoda
kutombomufonera ndakajusa phone yangu nekuti ndiye ega chisikana chandakapiwa namwari* Mai
Rutendo ndokuti* zvakanakai murume wangu ,neniwo ndandichitombofunga kuti weekend
tombovashanyira tonovasira mari nekuti ndakawa Rutendo achiti mazuvano murume kumaTaxi
hazvisi kumufambira mazuvano **Baba Rutendo ndokuti hwongu iye mukwasha
ndakambosangana naye mutown achichema chema nebasa kuti harisi kufamba ,saka tichapota
tichivabetsera sure,,,

Brian anobva asvika kumba uku zuva ranga rovira nguva dzafamba ,Brian ainetseka nemhaka
yekuti ko sei uyu Max aiita zvekuromba shuwa kuti aite Mari haa ini Bodo ndingatofe
ndirimurombo pane kuurayisa mhuri yangu nekuda Kunota bedzi ,Brian anobva asvika hake
ndokupinda mumba ndokurara ,** Mukadzi wake aitove mukitchen hake achitamba nemwana wake
,Mukadzi uya anobva aenda mubedroom ndokuona murume uya akarara ,mukadzi anotanga
kunetseka kuti murume chii changa chakumushusha nekuti anga asisacha hwisisike ,Panguva iyoyo
Brian anobva atanga kurotomoka arikuhope achiti *Maxxx Maxxx*,Maxxx. Usadaro kanhi
,Maxxxx Maxxx, mukadzi anobva amutsa murume wake ndokumuti kwakanaka here shuwa baba
mwana ,mukurotomoka muhope.Brian ndokuti haaaa kunongori kurota chete hapana kana
yakanyanya apa,Mukadzi ndokubuda pakarepo akatonanga kwa pastor uku nemwana wake
kumusana ,Pastor vaye vaive vakavachatisa pamuchato wavo vaive vakamuudza kuti pane chinenge
chada kuputsa imba yake aizoenda kwavari onovaona kuti vamubetsere nemazano pamwe
nekumunamatira

Mukadzi anobva akwira mota achienda kunaPastor uku nemwana wake Blessing kumusana ,uku
aifamba achinamata road yese kuti mwari dai mapindira imba yangu isaparare ndiwo munamato
mukuru ,,,Mukadzi anobva asvika kwaPastor Mashayamombe ,vechurch ye GFI ,ndokuwana pastor
vari pakati pekunamata nemhuri yavo ,Mukadzi anobva ati nechemumoyo yasvika nguva iya
yandofarira yekurumbidza mwari ,anobva asvikawo ndokubatana nevamwe kunamata
vachinamata ,vapedza mukadzi ndokuti kunaPastor ndandauya kuzokuonai,
(Pastor)* kwakanaka here sister Rutendo,
(Rutendo)* kwakanaka hako but pane zvisiri kundifadza ,mukati memba yangu,
(Pastor)* chiii chikuitika nhai mwana wamwari taura ndakaterera ,
(Rutendo)* murume wangu haasi kuhwisisika mazuvano ,moziva Pastor kana Rudo chairo
handicharuziva nekuti haachina nguva nani ,plus zvinhu zvaakungoita mazuvano handisi
kuzvihwisisa ini ,
(Pastor)* shoko raMaster rinoti hakuna chinhu chakaoma pemberi paMwari ,saka nyaya
yamukutaura Sister ndaihwa ,ndichakupai Anointing Oil iyi ndoda kuti munoizora pamadziro
epamba penyu
(Rutendo)* maita basa Pastor ,
(Pastor )* munokwanisa here kuzouya nemurume wenyu kuchurch Sunday ,
(Rutendo)* hwongu zvinoita
(Pastor)* saka chirega tinamate usati waenda ,,vanobva vatanga kunamata Pastor
vachiti*****,Hiiiiii ndipewo Simba iwe Master hiiiii haaa mumukuru wezvese mwari wepiri hiiii
haaaa kurima kuchiyedza urishasha AMEN,Rutendo anobva asumuka ndokuoneka akabva apinda
parwendo ,but pachokwadi prayer yaakaitigwa naPastor Haana kuifarira nekuda kwemanamatiro
avaiita ekuita kungati vanonamata vana mwari vaviri ,,Master wavainamata ndiyani iyeye ,zvisinei
Rutendo anobva adzokera kumba kwake ndokunoisa Anointed oil iya zvaaudziwa ,,,,

Brian paanomuka anoona mukadzi haapo ,sezvo mukadzi anga abuda asina kumbooneka ,Brian
zvakabva zvatanga kumunetsa kuti mukadzi aendepi but aiziva kuti mukadzi wake ainge
akavimbika ,zvisinei panguva iyoyo mukadzi anobva asvika ndokupinda Mumba, ..Brian anobva
avhunza mukadzi kuti ko anga aendepi asina kumbotaura ,Rutendo semunhu aisa kwanisa kunyepa
uye munhu aitya mwari nekuda murume wake panguva imwechete ,anobva audza murume wake
kuti handisi kukuhwisisai Dady maiitiro enyu mazuvano ,saka ndandaenda kwaPastor kuti vambono
ndinamatirawo kuti kahunhu kako kapere nekuti wachinja Brian mazuvano ,,Brian ndokuti handina
kumbochinja ini mai Bhule but inyaya yekuti mazuvano ndikungohwa kuneta handizivi kuti chiii
chaicho, Rutendo ndokuti* iko kuneta kwacho Brian ndokwandisiri kuda unofanira kuziva kuti ini
ndinokuda nemoyo wangu wese saka ndikakuona uchinetseka neniwo ndonetsekawo ,,Brian
ndokuti sorry mukadzi wangu chokwadi ndechekuti zvemaTaxi ini handichada saka stress
yandinayo ndeyekuti torarama sei chete ,Rutendo ndokuti arrrr nhai Dady ndonyaya yamungatoitire
stress kunyango usinga chaende kubasa kwako ini ndongokuda zvakanyanya chandongoda pauri
mufaro zvisinei ndichanoona Baba vangu kuti vagokutsvagira basa kuMine kwavo hantie ,Brian
anobva atanga kusekerera ndokubva atanga kutsvoda mukadzi wake ...

Ava makuseni Brian akarara hake nemwana vake vachitamba ,anobva adongorera musitting room
ndokuona Rutendo aripakati pekunamata zvinemutsindo uku akabata Anointing Oil achinamata
achiti*MWARI NDAFARA NDAZIVA CHANGA CHAKABATA MURUME WANGU ,NDANGA
NDICHIKUMBIRA KUTI ASAZVIDYA MOYO NEKUTI AKAZVIDYA MOYO ANOZOGUMA
AITA RUCHIVA ,NDANDICHIKUMBIRA MUTUNGAMIRE IMBA YANGU ISHE WANGU
AMEN)), Brian pasina chinguva anobva aona mukadzi achizora Madziro Anointing Oil ,Brian
anobva anyemwerera ndokuti kumwana wake ,Bhule hona mama vako vakunamatira iwe neni
,Bhule kanobva kangotanga kuseka ,ko semwana ka anongofara ,Mukadzi paanopedza kunamata
anobva Adana murume wake kuti auye kuzodya chikafu chaanga amubikira ,Brian anobva aenda
kunodya hake achifara nemhuri yake ,,but Brian mumoyo aingofunga kuti hupenyu hwaMax
ndohudawo ,chiii chambondipinda kuti ndirambe paya ,neniwo ndinenge ndineshavi ,zvagara
kumwe kuromba hakuurayi mhuri ,,haaa ini ndoidawo mari ini ,Brian paano pedza kudya anobva
ageza ndokubuda pamba hake akananga kwaanga akananga
Boss Max Boss Max
(Max)*eee chi Big 5 chaunondidanira senge unopenga kudai
(Big 5)* ndiregerereiwo boss inyaya yekuti ndauya ndichimhanya,sezvo makanditi mukandidana
ndofanira kuuya ndichimhanya ,
(Max)*,chandakudanira ndechekuti ndandichida kuvhunza kuti Mitchell akambouya here Zuro
,,,Panguva iyoyo vanobva vahwa Bell pagate ,Max ndokuti mhanya unoona ndiani kana arimurume
umuudze apinde kana ari mukadzi unoti handipo ,Big 5 rinobva ramhanya kunooona ndiani
,Rinobva rasvika paGate ndokuona kuti murume ,rinobva rati pinda Boss Max varimo umu,Murume
uyu anobva apinda ,ndokunoka ,Max akati come in ,Max ndokuona aaa ndiBrian futi adzoka ,Max
anobva ati
(Max)*how can I help you
(Brian )* Max ndokumbirawo ruregerero day riya ndakapanika but zvisinei ndazonatso funga,
(Max)*kufungei
(Brian)* ndakuda kujoiner Brothers of Darkness as long as musingazourayi mhuri yangu ,,

END OF CHAPTER 3

----------------------------------------------------------------------------------------

(RUTENDO)
CHAPTER 4

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

(BRIAN)*Max ndomumbirawo ruregerero ,day riya ndakapanika but zvisinei ndazonatso funga
(Max)* kufungei
(Brian)* ndafunga kujoiner brothers of Darkness as long as musingazourayi mhuri yangu chete
(Max)* hahahaha Brain now you are talking like a man ,but zvisinei since Master is not in
Zimbabwe vakaenda kuSouth Africa kumbonofambisa imwe club yedu yebrothers of night ,saka
zvatinoita pavanodzoka tobva taenda kuHall of Fame ,wonozikaniwa ,
(Brian)* saka izvi ndezvarinhi vanouya rinhi because ini ndatononokegwa ini ,
(Max)* ummmm since today its Saturday saka vanouya Monday ,then iwe Monday manheru wouya
toenda kuHall but there are dressings inopfekwa ikoko kana takuenda zvisinei don't worry
ndichakupa Monday takuenda ,
(Brian)* thax brother Max but promise me pliz kuti zvinonoita because ndikudawo mari
seyamunayo
(Max)* usanyanyo vhunduka iwe unongobata time dzandakuudza toenda manheru then kana master
vapedza kukukomborera pasina 2 weeks unenge wavaneMari dzako,
(Brian)*,thank u mukoma zvisinei regai ndimboenda kumba but ndandichikumbirawo 3 dollars
ndojucer magetsi angu nekuti ava kutonopera,,(Max anobva abuditsa 100 dollars ndokutambidza
Brian ,ndokumuti shandisa hako iyoyo ,Brian anobva atambira nemufaro nepamusana pekukara
mari ,,Anobva aoneka Brian ndokuenda hake kumba kwake ,nechemumoyo aingoti ndofunga
Anointed Oil yemukadzi wangu ikushanda because ndikuita mari chaiko ,,,,,

Brian paanosvika kumba anosvika pamba pachitoita church ,Rutendo ndiye aitonamatira vanhu
pamba ipapa ,Brian hazvina hazvo kunyanya kumushamisa nekuti aiziva Rutendo anechipo
chekunamata uye aripedyo namwari ,Brian anobva asvika ndokuchonjomara nevamwe painamatiwa
,zvisinei panguva iyoyo varipakati pekushumira mwari ,panobva pasvika umwe mukadzi aiva
akabata mwana anga asingafemi ,mwana uyu achiratidza kuti anga afa zvisinei mwana uyu anga
atofawo chokwadi ,Mukadzi uya anobva apinda pamba apa sezvo anga ahwa pachiita church
,mukadzi uya anosvika kunaRutendo ndokuti ,Mai mufundisi ndandichikumbirawo kuti mwana
wangu uyu zvaangoti ziiii ,ndandichikumbira mumunamatire afambe zvakanaka kuenda kudenga
nekuti ndabva kunaPrivate Doctor wangu ,anditi mwana wangu atofa kare ,saka chikumbiro changu
munamatireiwo afambe zvakanaka hake ,Rutendo ndokuti Amai mune Faith here kuti mwana
anogona kudzosewa pahupenyu namwari ,Mai vaya ndokuti hwongu ,,,Rutendo ndokubva aisa
ruoko rwake mumusoro wemwana uya ndokubva atanga kunamata ,*BABA MURIKUMOSORO
KUDENGA NDINOKUKUMBIRAI KUTI MUDZOSE MWEYA WABIWA NASATAN
WEMWANA KOMANA WAMAI AVA ,NDINOKUMBIRAWO TENZI MURATIDZE KUBATA
KWENYU PAMBERI PEDU VANA VENYU ,NDOZIVA TENZI HAMUNGANDINYADZISE
,PANGUVA INO NDINOTI KUMWANA SVINURA ,Rutendo anobva ati amai bvisai mwana jira
ramakamuputira naro kumeso ,mai vaya vanobva vabvisa Jira Riya ndokuona mwana asvinura
akutonyemwerera kureva anga adzoka paupenyu ,* Brian chiitiko ichi chaiitika mumaziso ake
zvakamunetsa kuti mukadzi chiii chapinda paari simba rekumutsa munhu ariwanepi futi, Mai vaya
vanga vongochema misodzi yemufaro vachingoti thank you Angels of God thank you ,vanobva
vatanga kutenda Rutendo ,ndokubva vaburitsa 300 dollars ndokuti kuna Rutendo tora mari iyi waita
basa zvikuru nekumutsa mwana wangu (PRAISE THE LORD) vanhu vese ndokuti HALLELUJAH
,Rutendo anobva aramba mari iya ndokuti ini handisi ndamutsa mwana wenyu asi ndimwari ,,,,mari
iyi torai monoipa mupiro kuchurch yamunopinda ,,,,Brian apo ndopaakagumbuka kuti mukadzi
akuendesa mariiii"""" zvisinei church inobva yapera mai vaya ndokubva vaenda vachiimba Road
yese kuti mwari unesimba ,uye uku vachitenda Rutendo nekukumbirira kwaanga aita kunamwari
pamwana wamai ava ,,,,,,But Rutendo naBrian yakazosara irinyaya mumba panyaya yemari iya

Chishamiso chakaitiwa naRutendo chekumutsa mwana uya anga afa ,chakashamisa vanhu
paRaini ,kana vabereki vaRutendo vakasvika pakuzviwa nyaya iyi yakavashamisa ,moziva vanhu
vakawanda vaivhunza Rutendo akazvifambisa sei ,Rutendo aingopindura kuti ,mwari akati nguva
yemwana yanga isati yakwana ,ndokusaka kune vakuru vanoFamba naMwari vakaita sana Prophet
Magaya ,Makandiwa ndovamunofanira kupota muchinovaona kana pane zvakadai zvine zvaitika ,,
ZUVA RIYA RAKAPERA CHURCH,Brian akutaura nemukadzi wake ,
(Brian)*,nhaiwe Rutendo unorevesa sure ungasiye 300 dollars ichienda wakatarisa ,
(Rutendo)* Arr nhai Mwari ndinzwireiwo ***
(Brian)** Rutendo ko Simba rezvawaita iri rabvepi..
(Rutendo)* Brian murume wangu zvandabvirira kuti simba handina ini asi mwari
vangondishandisawo sengirozi yavo kuita basa ravo panguva iya bedzi..
(Brian)* saka church yawanga uchiita pamba pano yatanga sei ,,
(Rutendo)* kana wakuvhunza so Baba Bhule wakuvhunzawo semurume wandorarawo naye
,,,matangiro aita Church ndeekuti ndanga ndakagara ndichitamba naBhule ndokubva ndabatiwa
nehope ,unoziva ndarota kamurume kapfupi pfupi kakapfeka suite uku kanemazindebvu kachiti
kwandiri hauna chawati waona ,ndipo pandapepuka ndokubva ndatanga kunamata ,nguva iyoyo
vanhu vekuchurch yeGFI vabva vangosvikawo ndokutanga kunamatawo neni nguva dzawazosvika
ndopandawana Simba rese rekuzonamatira mai vaya vemwana wavo ,but zvisinei Brian murume
wangu unozviziva kuti ndokuda sorry handichazviita futi hangu because ndaona hauzvidi,,,,,Brian
anobva anyemwerera ndokuburitsa 100 dollars iya ndokupa Rutendo akati ushandise ,,,
(Brian)*; woita zvaunoita nemari iyi rega ndimbotamba naBhule wangu,
(Rutendo)* but dady musakangamwa mangwana tikuenda kuchurch KwaPastor Mashayamombe,
vaviri ava ndokutenderana havo ,Brian anobva atamba nemwana wakewake

Ava Makuseni Rutendo anobva amuka achiita basa rake repamba sezvo vanga vakuda kuenda
kuchurch yanga yava Sunday ,Brian anobva ahwa mota ichitinhira iripagate pake ,anobva
adongorera nepawindow ndokuona imwewo mota yedzimhando futi ,anobva aona muchiburuka
Pastor nemukadzi wavo ," Brian akabva angoti inga kaPastor kane mari dzako kanofamba nemota
yakadai ,Zvisinei Pastor nemukadzi wavo vanosvikoti hatisikugara tanga tangoti tidarike
tichikuudzai kuti musarege kuuya kuchurch ,nekuti nhasi iBig Sunday But muuye ne$80 yekuti
ndikunamatirei zvobva zvaita Master vakuvhurirei maBlessings,, ,Rutendo ndokuti maita basa
Pastor ndikuuya neMurume wangu ,,,RUTENDO ANOBVA ATORA $100 IYA YAUYA NABRIAN
,NDOKUIPA PASTOR ACHITI CHITORAI $80 YEMUBHADHARO WACHO ,PASTOR
NDOKUTAMBIRA NDOKUBVA VAMUPA CHANGE YAKE$20,,,Pastor vanobva vaenda havo
kuchurch kwavo ,,,Pasinawo chinguva Brian nemukadzi wake vanobva vapedza zvavanga vachiita
ndokupindawo muroad vachienda kuchurch uku nemwana wavo mumota ,,,Zveshuwa vakasvikawo
church yakazara ,yava nguva yeHealing pastor vachiita minana inotyisa ,nguva iyoyo mapofu
achiona ,zvirema zvichifamba ,mademon achibuda ,,,,, apa vanhu vemazuvano magara minana
ndoyamunodawo,,,,* Panguva iyoyo panobva pasvikawo umwe mukadzi anonzi (Mai Ticha)*
anobva asvika ndokuenda kune vasikana vechoir ,anobva abvuta Microphone yeumwe wechoir
,ndokuti ** Church Hoo ,sorry nekukuvhiringidzai but handisi kufara ,nenyaya yekuti ndakauya
pano zuro kunaPastor ndichida kuti mwana wangu anamatigwe ,kuti chikosoro chipere sezvo
aikosora ,,but chakandishamisa mwana paakanamatigwa naPastor akabva atoti ziii kunyarara ,but
ini ndakauya naye asina kana pai gwadza ,zvisinei ndakabva ndaenda naye kunaDoctor wangu
,Doctor akanditi mwana afa ,But moziva kubata kwamwari ndakati ndichifamba ndokubva ndaona
umwe mukadzi ainamata ,ndobva ndaenda paari akanamatira mwana wangu ,ndokubva mwana
atopepuka ndokubva atanga kutomwa mukaka nekutamba zvese chikosoro chiya asisina fut
,Panguva iyi ndakabva ndafara ndobva ndaburitsa 300 dollars ndichida kumubhadhara mari ,but
akairamba akati ndinofanira kuibvisa chegumi muchurch yandinopinda ,saka nhasi iyi mari yacho
ndaisa kuchegumi yese $300 ,,,,***(VANHU MUCHURCH HAPANA KANA AITAURA VANGA
VANGOVHURA MAZISO NENZEVE UKU VACHINGOTI *AMEN *AMEN* **
KUSANGANISIRA NARUTENDO )*** mai ava vanobva vaenderera mberi nekutaura vachiti ,*
handichina hangu zvakawanda but ndanga ndine Advice yandoda kukupaiwo pastor yekuti kana
muchinamatira munhu musati bhadharise mari, zvakafanana pamakandibhadharisa mari mwana
akabva atoita worse kuti ziiiii, ,nekuti ngirozi dzedenga dzogumbuka dzidzaiwo kunamatira vanhu
mahara zvinhu ,zvichakufambirai zvakanaka ,(church yese inobva yati shuwa ,shuwa ,shuwa,
kubhadharisa hakuite) Mai Ticha vaya vanobva vati * ndokusaka mukadzi akanamatira mwana
wangu achihwikwa namwari inyaya yekuti haana rudo nemari semi Pastor ,,,,church inobva
yazoenderera mberi ,Brian naRutendo ndokubva vazononamatirwa naPastor ,ndokubva vadzokera
kumba kwavo naBhule wavo

Yatova Monday uku Brian aitova nerwendo rwake ruya ,rwaaiita secret kumukadzi wake ,Brian
naRutendo vakaswera zuva rese vachifara ,sezvo vaiva vashanyigwa naMai Ticha vaya
yekunamatigwa naRutendo ,zvisinei Brian anobva aenda kunogeza ,Mai Ticha ndokusara vachitaura
naRutendo ,
(Mai Ticha)* unoziva Rutendo unechipo sure
(Rutendo)* ndozviziva hangu but murume wangu anoratidza kusafara nazvo but zvisinei
,ndokutendai matsiura Pastor pamabasa avo ekuda mari ,nekuti love of money is the root of all evil ,
(Mai Ticha )* sure ,chiregai ndichienda asikana ,Rutendo anobva asvitsa mai Ticha mwana
wavo ,Mai ticha ndokubva vaoneka ndokuenda kumba kwavo ,Brian paanodzoka kunogeza anobva
audza mukadzi wake kuti nhasi manheru ndikuenda kubasa Night shift kune kwandadaniwa
kuzosenga vanhu neTaxi ,Rutendo anobva atenderana nazvo ,Brian paanga akuenda ndobva atanga
anamatigwa nemukadzi wake ,Brian ndokubuda akananga kwaMax ,sezvo nguva dzadzakwana

Brian anobva asvika kwaMax ,ndokusvika Max akatomira Pagate pake achiti ko why kunonoka
Brian ,,Brian anobva ati mota yambofa muroad ,,Max ndokuti shaa hatisisina nguva tanonoka Pfeka
Zimucheka iri ,Brian anotarisa ndokuona zimucheka racho rakanyogwa kuti 666, apa riri reRed
kushure rakanzi Team yaMaster ,Brian anobva apfeka ,ndokubva vapinda mumota yaMax
vakananga kurwizi ,Pavanosvika Parwizi Brian anoti Max shamwari ndirikutya kasi ukuda
kundiuraya ,Max ndokuti aiwa but tatosvika Master meeting yavo inoitiwa pakati perwizi muvhura
chaimo,saka ndoda kuti utaure zvande ndataura ,Max ndokuti ,(MASTER MASTER
KWECHU),Max anobva anyangarika ,Brian ndokusara ega Brian akushaya kuti koMax aendepi futi
pakati pesango usiku uno anobva atanga kuti Max Max uripi huya but hapana akauya ,Brian
ndokuitawo (MASTER MASTER KWECHU) Brain ndokunyangarika ndokubva aona ava pasi pasi
perwizi ,but dzvimbo yacho yakanga yakatooma pasina kana mvura ,Brian ndokutarisa mberi
ndokuona varume vanga vakagara pasi ,kubva pachiuno kusvika kumakumbo vane miviri
yenyoka ,kuzobva pachiuno kuenda kumusoro vari vanhu ,Brian ndokutanga kurohwa nehana
,ndokutarisa ndokuona Max atochinja nechekare atovewo (nyoka munhu)* Max anobva ati kuna
Brian welcome to the brothers of Darkness , panga pane umwe mukuru wenyoka idzi anga akagara
pachigaro chake ega achiratidza kuti ndiye mukuru weumu ,Anobva ati kuna Brian *

END OF CHAPTER 4
--------------------------------------------------------------------------------------

RUTENDO

CHAPTER 5

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

NDAKA ZVIPARIRA
SHUWA,

MUKURU WENYOKA IDZI ANOBVA ATI KUNA BRIAN, *Brother murikuda here kupinda
brothers of Darkness kuti muite mari yamunoshuvira here*Brian ndokuti hwongu master
ndikudawo kuita mari ,Master vaya ndokut* huya pedyo neni ,Brian anotanga kuenda pana master
vaya but aienda achitya nekuti zvavaive vari zvaityisa ,nekuti vaiva vaneMaoko 4 ,neziso rimwe
chete ,zvisinei Brain anobva asvika ,Master vaya ndokuti ,*we welcome you in our Club ,anobva
abata Ruoko rwaBrian pasina chinguva Brian anobva achinjawo kuita (Nyoka Munhu)* vamwe
vakewo ndokutanga kumuomberera maoko vachiratidza kufarira kuti panga pava neumwe mutswa
muclub yavo iyi ,Master vanobva vati kuna Brian ,tora kaRuva aka wonokaisa pakahwanda mumba
mako pakasingaonekwe nyango nani ,nekuti kakangoonekwa mari yese haizobudi ,Brian anobva
agamuchira karuva Kaye ,Master ndokumupa kamwe kaBag keRed ndokumuti kaBag aka unokaisa
muroom yako kega isingapindi kana ani nani zvake ,then pese paunomuka makuseni unopinda
muroom yacho ine bag uchinotora mari mubag ,makuseni ega ega ,unenge uchinotora mari ,Brian
ndokutambira Bag Riya ,Dzimwe Nyoka Vanhu ,dzakatanga kupepembera ,dzichipemberera umwe
anga apindawo mumari, ,Master vanobva vatanga kuverenga Vanhu vavo,ndokuona pane one asina
kuuya ,Vanobva vaudza Max kuti kana akasuya futi panext gathering ,anoona moto ,Zvisinei inobva
yapera gathering iyi ,vanhu ndokuenda kudzimba dzavo,,,zvaiitika kana wakuda kubuda mukati
umu waingoti (MASTER MASTER KWECHU), unobva watobuda ,wotobudira panze perwizi
woenda hako

Brian panosvika usiku uhu kumba kwake anowana mukadzi akarara kutofa nehope kuti Fiii, Brian
anobva ati chance given yekuviga ruva riya neBag ,,,,anobva azviisa muLocker rake raiva muspare
ndokuzvikiira imomo kuitira zvive safe ,uye pasave neangazvione ,Brian anobva aenda
ndokunorara zvake ,Ava makuseni kuma5 am, Brian anobva amuka mukadzi asati amuka ,Brian
nange kulocker rake ,ndokusvika ndokuvhura mulocker muya kuona kabag kaya hakasi kugona
nekufuta ,Brain ndokuvhura Bag riya kuona arrrrr Haikona Bag rizere ma 100 dollars
nema50,zvekuti yese yaiva umu roughly yaisvika 30,000 dollars, Brian paanoona izvi anobva
aridza zimhere achifara achiti yeeeeeeeeeeeee,,,Mukadzi anobva ahwa ruzha ndokuvhunza kuti
konhai Brian chiii, Brian ndokuti ndaita mari Rutendo ,,,,Rutendo haana kuda kuvhunza
zvakawanda akabva angotiwo hoo,,, nechemumoyo achiti nhai mwari ndinoitigwei naBrian mari
yacho aiwanepi sure ,But zvisinei tenzi hapana chakavanzika chamusingandiudzi ,ndoziva nguva
kana yakwana muchandizivisa henyu Amen

After a week ,
Brian anga ava shubhara muridzi wemari vanga vatotenga imba kuMasurbub duze kwaigara Max
,ndiko kwaanga akugara Brian nemukadzi wake Rutendo ,vatove neumwe hupenyu ,Mota Brian
anga ava neNhatu ,uko mukadzi aiva atengegwa mbiri ,iya imba iya yavaigara vakabva
vazoitengesa ,sezvo vanga vava nezvinhu zvavo ,Moziva kukura kwakaita dzimba dzekuMsasa
ka ,dzimwe dzenge dziri ma9 rooms ,Brian akabva atswaga room yaizogara Bag riya neRuva
,,,Zvisinei akabva ati zvofanira kugara muroom yazvo zvega ,anobva anozviisa imomo
ndokuzvikiira imomo,hake, rimwe zuva vachitaura naRutendo ,
(Rutendo)* dady ndikufara hangu kuti taakurarama humwe hupenyu but moyo wangu hauna
kusununguka,
(Brian)*ko chiii mudiwa
(Rutendo)* hapana hapo yakanyanya but ndirikuda kungozivawo kuti mari iyi mukumboiwanepi
imi musinga shandi ,
(Brian)* ndikakuudza unokwanisa kuzvitenda here
(Rutendo)* hwongu murume wangu ,
(Brain)* musi uya wandakabuda manheru ndichiti ndikuenda kubasa ,ndakati ndirimuroad
ndokubva ndaona kadombo kaipenya, ndakabva ndabuda panze ndichida kuona chii ,ndakabva
ndaona ziBrick reGoridhe ,handina kuda kuudza munhu ndakabva ndangodzoka kumba ,ndiro Brick
rikundiitisa mari iroro but usaudze munhu. Saka Brick iri ndarikira muroom yekupedzisira handidi
anopindamo nekuti ndomariri,
(Rutendo)* haaa ndafara nekuzviziva because ndanga ndakuzvidya moyo kuti ko zvaakufamba sei ,
(Brian)*haa hapana chotyisa babe,
(Rutendo)* horaiti murume wangu hupenyu ,hwaunoda mwari vakupa ka,,,kkkkk ndokutanga
kuseka zvavo

Zuva iri yanga iri Friday ,zuva rakatambira Baba vaRutendo call ,..Baba vaRutendo vakagara
vanobva vahwa phone yavo ichiringer ,ndokutarisa kuti ndiani afona kuona ndiGeneral Manager
wekubasa kwavo kwavaishanda kuFidelity ,vanobva vadavira havo,
(G Manager)*hallo Mr Munetsi ,
(Baba Rutendo)* makadi boss
(G Manager)* ndaphona ndichida kukudza kuti mangwana ndopaukuuya,
(Baba Rutendo)* manje hazviiti ndirambe ndichishandira kuno here nekuti ikoko kure nemwana
wangu Rutendo ,
(G Manager)*, iwe ndiwe munhu watotemba muCompany saka mangwana ukufanira kutokwira
ndege iwe nemukadzi wako uuye kozoshandira kuno kuDubai ,tichange tichikuhoresa double pay
yako ,imba tichakupa kuno nemota dzekushandisa ,saka mangwana unofanira kuuya ,Company
yakatomirira iwe izvezvi so,
(Baba Rutendo)* OK zvakanaka Manager ndouya ,,Baba Rutendo naMai Rutendo vanotanga
kurongedza zvinhu zvavo sezvo mangwana vaienda kuDubai kubasa ,vakabva varonga kuti vadane
Rutendo vambomuona zuva rekupedzisira havo ,mai vanobva vafonera Rutendo ,Rutendo ndokuuya
ndokuswera nevabereki vake ,uku vachitamba nemwana wake vachifara ,ava Makuseni vabereki
vaRutendo ndokuoneka mukwasha wavo ,nemwana wavo pamwe neMuzukuru wavo ,ndokubva
vaenda havo Rutendo ndokubva adzokera kumba kwake ,,,Vabereki vaizivei kuti vasiya mwana
muchizarira ,zvisinei Rutendo ndokuenda kumba kwake ,,,,,,

Hupenyu Huchiendeka hawo ,yanga yava Sunday Zuva iri ranga ririZuva rekunopemberera
mayouths 34 Aida kuenda kuTrip next week yacho Friday ,saka zvavaiita ndezvekuti kana uchida
kubatsirawo kudonater chikafu chainozodyiwa nemaYouths arikuTrip waingo donaterwo,,, Brian
naRutendo ndokuenda kuchurch zvavo. Vanosvika ndokuita church vachifara zvavo ,,ndokubva
vabvisawo 200 dollars yaizoshanda pachikafu chemaYouths kuTrip kwavaino Camper ,,Mai Ticha
vaya vanga vane Chipo chekuona zvinoitika mberi but Simba rekusunungura nekunamatira munhu
vanga vasina havo ,Chipo chekuona zviri mberi vakanga vagara vanacho ,Mai Ticha vanobva enda
kumberi kwechurch ndokuti **(, chikumbiro changu ndaona mayouths achizoparara kuCamp ikoko
saka chikumbiro changu mayouths musaende kucamp plizzz ndaona iTrap yema Saturnist
yekukuchekeresai kuti vadye nyama yenyu*), vanhu muchurch vanobva vatanga kupopotera Mai
Ticha ,vachiti ndiwe muroi iwe ukushurudzira vana vafe , muribenzi ibvaipo apo ,Mai Ticha
ndokubuda zvavo nemwana wavo vachienda kogara kushure ,Zvisinei Church yakarova ndobva
yazopera hayo ,Brian naRutendo vakudzokera kumba ,Brian anobva aona mota yaPastor ,ndokubva
ati rega ndimboona kuti itype ipi ndigoitengawo ,Brian anosvikapo ndokuona door harina kunatso
kuvharika remota yapastor, Brian ndokuti rega ndivhare paanoda kuvhara ndokuona mucheka
wered wakarembera ,Brian anobva anenzerera mucheka uya ndokuona wakanyogwa kunzi ,(666)
kushure wakanzi ( team yaMaster ), nguva iyoyo Brian anohwa voice raPastor richiti iweee,,

END OF CHAPTER 5

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 6

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

NDAKA ZOZVIPARIRA
SHUWA

Brian anobva ananzerera mucheka uya ndokuona wakanyogwa kunzi ,666) kushure kumusana
wakanyogwa kunzi (TEAM YAMASTER ) ,Nguva iyoyo Brian anohwa voice raPastor richiti iweee
,Brian anobva acheuka nekuvhunduka ,ndokuona Pastor vakabata bhaiberi vakamira ,Pastor ndokui
nhai Brother Brain mukuiteiko pamota yangu ,,Brian ndokukurumidza angwara ndokuti ,ndanga
ndichikutswagai ndikuda kukupai $50 iyi ndoda mugondinamatira ,Pastor ndokubva vagamuchira
mari iya uku vachinyemwerera ,ndokubva vati kuna Brian * ndiwe munhu one muchurch aneRudo
naPastor ,zvisinei zvinhu zvako zvichakufambira hupenyu hwako hwese ,Brian ndokuzopindura
Pastor * achiti maita basa ndavakuenda ,ndokubva apinda paroad Brian akananga kumota yake
manga munaRutendo naBlessing (mhuri yake)* ,,vanobva varova pasi zvavo vakananga kumba
,Brian zuva iri akaswera achizvivhunza kuti ko mucheka uya wekuBrothers of Darkness
,ukutswagei mumota yaPastor ,kasi pane munhu aukanda achiitira kuvengesa Pastor nevanhu
vemuchurch here ,aaaa hameno ,,ndokubva arara zvake Brian achihwa music paphone yake ,uko
Rutendo kudhara anga atova pabhaibheri ,,Brain zvebhaibheri zvaRutendo zvanga zvava
kumubhowa manje ,,hameno kuti mweya yeMaster yanga yakumushanda here hameno ,

yava Monday Makuseni ,Mai ticha vanobva vadarika vachiona Rutendo sezvo vaidarika nepamba
pake ,Mai Ticha vanosvika ndokuparker mota yavo panze pegate repamba PaBrian ,Vanobva
vapinda ndokusvika Rutendo akagara achitamba nemwana wake zvake ,,
(Mai Ticha)* odi odi. Tipindewo asikana ,
(Rutendo)* pindai henyu asikana hurisei hupenyu uhwu ,
(Mai Ticha)* hurinai hupenyu ndangoti ndidarike ,ndichikuonai zvangu ,
(Rutendo)* ii matogona sisi nekuti mukore uno ukaona pane anokushanyira tenda mwari ,
(Mai Ticha)* Rutendo asikana ,ndine nyaya yandauyawo nayo ini ,moziva asikana kubva ndiri
mudiki ndairotesewa zviri mberi ,vabereki vangu ndichivaudza vairamba but vaizoshamisika
zvandenda taura zvoitika ,hope dzangu hadzinyepi ,pavana varikuenda kuTrip kuchurch vaya ,kana
pana hama yenyu pliz ndikukumbira iudzei isaende nekuti pane zvichanoitika ,kana uchikwanisa
sezvo uriwe uripedyo naMwari ,ndoziva ukanamata mwari vanokunzwa ,Dai wavakumbirirawo
kuna Jesu vafamba zvakanaka
(Rutendo)* imi Mai Ticha makakwana here
(Mai Ticha)*, chii asikana ,
(Rutendo)* munenge makupenga imi ,munoti mwari angasiye vana vachienda kunofa here imi
,maguta kunyarwa manje chibudai mumba mangu budai ,never come back again ,muroyi
hamunyari, nxxxx
(Mai Ticha)*, zvakanakai ,vanobva vabuda havo ndokuenda ,,,,Rutendo ndokusara achiti nxxxxx
mai ava sure vakabatsigwa namwari mwana wavo akufa ,nhasi vakushurudzira vevamwe vafewo
inga vari rough ,,,

Hwava husiku ,Nguva dzaBrian dzekuenda kuGathering dzanga dzoda kukwana ,because mutemo
waMaster ndewekuti every Monday kunoitiwa gathering ,Brian anobva anyepa kuna Rutendo
,ndokuti ndikudzoka maimanje. Brian ndokubuda nemota yake akananga kuRwizi ,anobva asvika
paRwizi ndokusvikirana naMax ,ndokubva vatanga kutombo mhorosana zvavo vari panze ,Brian
ndokubva apfeka mucheka wake uya wakanzi 666 ,(Team yaMaster), paanopedza kupfeka anobva
ati ( MASTER MASTER KWECHU), anobva abudikira atovapo pasi pemvura ,atova (nyoka
munhu) kare ,Master vanobva vati Brian musi wawakapinda club yedu ,Vamwe vaive vasipo saka
famba uchimhorosa munhu wese sezvo uriwe mutsva ,Brian ndokutanga kumhoresa munhu wese 1
by 1 ,paanozosvika pane wekupedzisira ,paanoti achimhorosa ndokuona arrrrrrr kozvavari Pastor
Mashayamombe vekuchurch vaye. Brian anobva arohwa nehana ndokuvhunduka achiti Pastor is it
you ,Pastor vaya ndokutanga kuseka vachiti. * ahahahahahha its me brother Brian ,its so good to
have you in my Masters Club ....Master vaya vanobva vati Brian ,ukangotaura izvi kana kungoita
matricks unotofa ipapo ipapo ,iwe Mashayamombe ukuona kuti tawanda muclub tava20 tamirira
nyama nemadrinks matsvuku edu anofanira kubva kwauri sezvo riri Jana rako ,Pastor vanobva
vasumuku ndokuti Master ,ndotenda nesimba ramunondipa muchurch ndinodada naro saka
ndichaita kuti imimi mufarewo ,gathering yevanhu ava painopera ,Brain anobva abuda
ndokudzokera kumba ,uko Rutendo anga ongonetseka kuti komunhu zvaabuda achiti aripaduze
wani but nanhasi haasati auya ,,,Zvisinei Brian semunhu anga avhunduka nekuona kwaanga aita
Pastor kuside kuya ,Brian anobva angosvika ndokupinda mumba akabiper ,Rutendo ndokuti ko nhai
Brain ndokudzoka maimanje here ikoko ,Brian ndokuti hapana kwandamboenda ini ,ndanga ndigere
mumota panze ,Rutendo ndokutarira Brian ,ndokuona Brian akapfeka mucheka mutsvuku wakanzi
Team yaMastor ,Rutendo ndokuti ko chamakapfeka chii dady ichi. Brian paanohwa kuti mucheka
anobva apepuka kuti akangamwa kubvisa mucheka uya ,anobva abuda mumba umu aribara
akananga panze ,,,,,

Rutendo anobva aziva hake kuti pane zvikuitika panaBrain anobva afunga kumbonoudza Pastor
nezvenyaya yaBrian ,Rutendo ndokupinda mumoya yake akananga kwaPastor ,anotosvika Pastor
variko zvavo vachitombodzidzisa mayouth aida kenda kutrip ,nezve bhaibheri ,Rutendo anosvika
ndokuti Pastor ndoda kukonai ndine nyaya nemi , Pastor ndokusumuka pavana ,ndokunomira padivi
,ndokuvhunza konhai Rutendo chiiii chaita undivinge makuseni this tym,
(Rutendo)* Pastor ini Brian handichato muhwisise ini ,
(Pastor)* ko chiii nhai Rutendo ,,
(Rutendo)* moziva Pastor ,Brian akabuda zuro maneru achiti akuenda kushamwari yake ,but
chakandinetsa ndechukuti paakadzoka akadzoka akapfeka mucheka mutsvuku wakanzi Team
yaMaster kushure ,ini pandakamuvhunza akabva angotiza ndokuzodzoka asisina mucheka uya saka
ini Brian handichamuhwisisi uye Monday yega yega anototi abude manheru ,hameno kwaanenge
achienda ,
(Pastor)*,Mati mucheka weRed ,,vachiratidza kushamisika ,,
(Rutendo)* hwongu
(Pastor )* ok unouya nemurume wako tokunamatirai ,Rutendo anobva aenda hake ,uku Pastor
vakasara neError kuti Brian aigona kuzofumura Club yaMaster ,Pastor vakati haisi nyaya
ndikunoudza Master pagathering vaone zvekuita naye ,,,,ndobva vadzokera havo kumayouths avo
kuya ,,

Rutendo arimuRoad kudzokera kumba ,anobva atanga kufunga vabereki vake kuti zvavave kure
aizo gadzirisa nyaya yavo naBrian ndiyani, but Rutendo anobva azongoti muzivi wenzira
yeparuware ndiye mufambi wayo ,nyaya iyi ichapedzewa namwari wandonamata ,,,Rutendo anobva
asvika hake kumba kwake ,ndokunoswera nemurume wake Brian but Rutendo aiva akagumbuka
,Brian aitombozama kunyengerera Rutendo ,but Rutendo aiiti Brian kana uchida kuti tinatso
wirirana ndiudze chokwadi pane zvikuitika here ?. Brian semurume akabva anyengedza Rutendo
achiti mucheka uya mutsvuku ndaiva ndakaupfeka ndichida kukuvhundutsita manje ndaona
unehasha handichaiti majokes newe futi. Rutendo anga atovhagwa naBrian ,Rutendo ndokubvuma
nhema idzo dzaBrian, Ava manheru pakati peusiku vakarara Brian ,anohwa voice rekamukadzi
richimudana richiti ,(brian brian ) Brian ndokumuka ndokuhwa achingoramba achidaniwa kuti
(Brian Brain) apa ranga rinemawungira izwi racho ,Brian ndokumuka ndokusiya Rutendo akarara
akafa nehope hake ,Brian anobva aenda kwaibva voice riya ,ndokuona ririkubva muroom yaigara
karuva kaya neBag riya ,Brian anobva anetseka kuti ndiani apinda muroom umu ini ndakakiya
,Brian anobva akinura room iya ,Ndokupinda ndokuona karuva hapasisina ,ndobva ahwa kavoice
kaya kachiti (Brian tarira kuleft kuno)* ,,Brian anobva atarira kuleft kuya achivhunduka ,ndokuona
aa , kakadzi kapfupi pfupi, kanga kane ndebvu ,kakagara mumba muya maigara ruva ,kamukadzi
aka kanga kari (kachikwambo)* Brian paanoona chikwambo anobva aaaaa**

END OF CHAPTER 6

-----------------------------------------------------------------------------------------

RUTENDO

CHAPTER 7

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

NDAKA ZOZVIPARIRA
SHUWA

Brian paanoona chikwambo anobva avhunduka ,ndokurova tsoka ndibereke akananga kumota yake
haana kana kumboda kuita zvekutamba ,akabva ananga kumba kwaMax ndokusvika achinoker
,Max ndobva abuda ndokuti nhai Brian kwakanaka here kwaungandivinge this time pakati peusiku
shuwa,Brain ndokuti ,Max shamwari mumba mangu munechikwambo chechikadzi ,** uku Brian
aitaura achifemereka ,misodzi irimumaziso ,Max ndokutanga kukuvara nekuseka zvekuseka
zviya ,,,
(Brian)* nhai Max ukutoseka hende tochidzinga chikwambo Mumba mangu ,
(Max )* aaaa aaaa Brian chikwambo ichocho ndechako shamwari ,ndozvinoita mari yaMaster ,ini
wani changu chikwambo ndinacho mumba ,,
(Brian)* newewe unachowo ,,,hee ukurevesa here Max
(Max)* shamwari unoziva mazuva ndichiri mujunior muTeam yaMaster sewe so ... ndakati
ndichipinda mumba ndakahwa voice rekakadzi raiti Max Max ,pandakapinda ndakaona kari
kachikwambo. Ndakatombovhundukawo sewe but ndajaira ,kkkkkkkkk hahahahhaha Brian
wandinakidza ,
(Brian)* usaseke shamwari unoziva nekunamata kunoita Rutendo kuya kuya ,,,nechikwambo ichi
havanga wirirani because Rutendo anonamata,,,ko iwe wakadi kundiudza kuti karuva kaya
kanozoita chikwambo but Max usandidaro shaaa,
(Max)* hahahahahaha kkkkkkk yohweeeee ,Brian unoziva kuti wamama shamwari ,chikwambo
hachirasike ufunge ,apa ziva kuti chikwambo ichocho chichakupa mutemo wakaoma, unodi
kuzvivhunza sei vanaMax tisina vakadzi , inyaya yekupihwa mitemo nechikwambo , kkkkkk
hahahaha
(Brian )*, Max wakandinyengera wandiparadza shamwari.... ,* uku akuchema Brian ,
(Max)*, shamwari wakauya wega ziva izvozvo ,manje kana wasiya usina kukiya door remuRoom
inechikwambo chako unowana mukadzi wako adzipiwa ,
(Brian, paanowa izvi anobva apinda mumota akananga kumba zveee ,,ndokusvika chikwambo chiya
chamira pamubedha zvino uko chagumbuka ,,,Chikwambo chinobva chati kunaBrian nhasi
hauchandidi kasi mari yandakakuitisa yese hauchaioni ,,Brian nekungoshamisika shamisika ,ndobva
ati kuchikwambo sorry ndokuda ,,Chikwambo ndokuti kunaBrian ,saka kubva nhasi iwewe Brian
unondidana uchiti Marry ,uye wava murume wangu kungorara naRutendo chete ndouraya mwana
wako ,,,Brian ndokuti watttii , (Chikwambo Marry) ndokuti iwe ndiwe watova murume wangu
Rutendo handichamuda pano , Brian anobva aita hasha ndokukiya door yeroom yaive nechikwambo
Brian ndokuenda ndokunogara pasofa ava nestress manje yema1 anga atanga aya??? Kuti
aizoibuda Seiko nyaya iyi...

Ava makuseni Rutendo anomuka ndokuona Brian uya wani haapo padivi pake ,Rutendo anobva
ahwa voice raBrian richitaura musitting room ,Rutendo anobva aenda kusitting room kunoona Brian
akutaura nani ,anobva asvika ndokumira padoor akaterera kuti Brian arikuti chiii ,ndokuwa Brian
vachitaura vachiti* God that's not fair handingarari na Marry ini hazviiti shuwa ,Marry dai
arimunhu ndairara hangu naye manje Marry zvaari chikwambo sure ,,,Rutendo anobva ati iwe Brian
,Brian ndokubva avhunduka akati mamukasei komai Bhule ,Rutendo akati Marry ndiani ,,Brian
ndokuti Marry upi ko waukutaura ,Rutendo ndokuti iwe Brian handisi Grade zero ,ndakuhwa
uchitaura nezvaMarry chikwambo kudi kudi ,Brian ndokutii * hoooooo ndanga ndichirota iii ..hope
idzi ndanga ndisingazivi kuti ndikutodzitaura ndichirota ,,Rutendo ndokuti Brian unorevesa here
kuti ihope ,Brian ndokuti Rutendo ndakambokunyepera sarinhi ,huya ugare pamakumbo angu
titaure ,Rutendo ndokunogara pamakumbo aBrian ,ndokubva vatotanga kutsvodana vachitsvodana
vagere pasofa ipapo. ,,Rutendo semunhu anga aripamurume wake anotanga kutotanhaura nhumbi
kuti vaviri vanatso fadzana paBonde ,Brian paanoti achida kutanga basa racho naRutendo ,anoona
sikarudzi yake haisi kumira ,Brian ndokumbozama zvese ndokuona isiri kumira ,uko Rutendo anga
atopera namafeelings atova kuneimwe dzvimbo,Brian naRutendo pavanoona sikarudzi ichiramba
kushanda iyi. Brian anobva apfeka nhumbi dzake ndokunogara panze ,Rutendo ndopaakatanga
kuziva kuti nhau yanga dai yakonzera izvi ndeyeyi kunze kweyaMarry chikwambo yanga
ichitaugwa naBrian haaa ini zvepano zvandikona mwari, ,,,uku Brian aripanze uku misodzi
ichichururuka ,achishaya kuti zvatanga rinhi sikarudzi kuramba kushanda iyi ,ndo paanozoti
dhuuuuuuuu, ndiMarry Chikwambo akukonzeresa izvi sezvo paya zuro madeko akati ndini
ndakufanira kunge ndichirara naye kwete kurara naMai Bhule ,eisaahh manje kana yaDai yaipa
,Brian anobva abuda ndokuenda kwaMax zveeee

Brian ndokusvika kwaMax ndokuonana naMax ,Max ndokuti


(Max)* nyaya yako ndeyeyi nhai Bidza
(Brian)* shamwari zvinhu zvikuita zvichiwedzera kuwoma nakuwoma,
(Max)* chiii chaoma futi ,,,haa ma junior monetsa
(Brian)* shamwari haisi nyaya yekuti ma Junior ,unoziva ndichisvika kumba zuro paye ndabva
kuno ,chikwambo chakati ini ndini ndakufanira kurara nacho ,handichatendegwi kurara
naRutendo ,saka makuseni apa tamboedza kuda kuita bonde naRutendo but nhengo yangu kuramba
kumira for the first time and ndotozviva kuti chikwambo ndochikukonzeresa izvi
(Max)* ini ndakuda kukuudza zvinokuvaka Bururu wangu yadeuka yanwa ,apa yavapo iwe chiita
zvoda chikwambo chako nekuti wakada kuzama matricks chouraya mhuri yako because chikwambo
chaMaster chinesimba ,saka nyaya iripo tamba irikurira shamwari ,,ini wani changu ndinacho
mumba chakati chinonzi Angelina ,izvezvi husiku hwese charara chingondiita Bonde zvekuti
musana wangu ukugwadza I wonder why chikwambo chisingaguti Bonde ,vakomana Brian
mongondiona ndichifamba masikati but manheru ndenge ndiripaBasa shamwari Angelina anoda
Bonde kana maRounds 10 anosvitsa ,otherwise chako chirinani pane changu
(Brian)* but Max zvakaoma kurara nekanhu kaya nekuipa kwakakaita apa ukutaura kuti hakaguti
bonde futi ,,,but zvisinei sezvo zvirizvo zviripo ini ndingadi ,ndichatongoita kuita sekudaro but
maonero angu imba yangu yakuzoparara manje ,nekuti Rutendo kupedza mazuva matatu asina
kuona Bonde hawi mushe ufunge Max wakandikanda mutsekwende wangu ,but zvisinei Max
thanks nemaAdvice ini ndakuenda hangu ,,Brian ndokubuda ndokudzokera kumba kwake ,,,

Max paanopinda mumba zvake ,achitova musana wake sezvo wanga uchigwadza ,Max anobva
ahwa Max Max achidaniwa nechikwambo chake Angelina ,Max anobva amhanya ndokuenda
kuroom kwacho ,anosvika ndokupinda ndokukiya door ,uku achitova musana ,Chikwambo chake
ndokuti Max ndakuvigira $100 000 ndanoitora kuBank rekuUSA,,,Max akangogamuchira mari
ndokuti Ange waita basa sezvo .Max aigwadziwa nemusana ,Chikwambo chinobva chati kumaMax
mubairo wako unomuziva huya undiite bonde ndikuda Bonde izvezvi ini chitouya ,,Max
anovhunduka ndokuti Bonde futi wani zuro takaita pungwe yese no zororo,,Ange ndiwirewo
tsitsi ,Chikwambo ndokuti zuro hapana zvatakaita shamwari inini ikozvino ndikutoda maRounds 6
zvawo ,manheru tozoita kana 13, mashoma zvawo ,,,Max paanowa izvi anobva afenda mumba
imomo,

Brian ndokutobva vasvika kumba havo ndokuwana ,haikona kani Rutendo haasi kugona
nekunamata ,Brian anosvika ndokuti kunaRutendo kunamata kwako kwakakosha shuwa
ndasangana nevabereki vako kutown izvezvi ,,,vadzoka hanzi huya izvezvi vakakumirira kumba
kwenyu ,,Rutendo paanohwa kuti Vabereki vadzoka ,anobva atoti dady Brian ndakutoenda
kunovaona izvezvi ,Rutendo ndokubuda akabata Bhaibheri rake uko NaBhule ,,,Brian iyi yaiva Plan
yekuti mukadzi amboduda kuti awane mukana naMarry ,Brian anobva anokiya gate rake ndokuenda
kuroom kwechikwambo Marry ndokusviko pindambo ndokukiya mukova ,chikwambo marry
ndokuti ndanga ndakakutsamwira nezvawanga uchida kuita makuseni naRutendo paya ndosaka
ndasunga sikarudzi yaku ,zvisinei murume wangu Brian chiuuya tiite basa ,Brian anobva arovera
moyo pasi ,ndobva arova bonde nacho zvekuchirova zviya ,Brian time yaanopedza kachikwambo
kanobva kati waita basa murume wangu ende unotapira ,saka mangwana ndikukuvigira $100,000,
yekukutenda but usacharara naRutendo zvekare ,Brian ndokuti hwongu ,Brian ndokubva ati rega
ndibude ,time dzaanokinura door kuti abude anowana Rutendo atomira padoor ipapo nechekare
,uku Brian bhurugwa riri muhalf ,Rutendo anobva apusha Brian nesimba achida kuti apinde aone
mukubuda Brian muneyi ,,,

END OF CHAPTER 7

---------------------------------------------------------------------------------------

RUTENDO
CHAPTER 8

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

NDAKA ZOZVIPARIRA
SHUWA

Rutendo anobva apusha Brian nesimba achida kuti aone mukati mabuda Brian munei ,Brian anobva
aramba akabatirira padoor ndokubva apa Rutendo chibhakera chisina kumira mushe ,Rutendo
ndokunowira kwakadero nemwana kumusana uku mwana ongo chema ,Brian anobva akiya door
riya ndokuti kunaRutenedo * iwe ndikangokuona chete uchida kuedza kupinda muroom umu
ndokuuraya ukuzviwa ka hure,,,Rutendo haana chaakapindura akatanga kuchema uku akuvara
akubuda ropa mumuromo nenyaya yechibhakera chaanga arohwa naBrian ,Rutendo achichema
akabata mwana wake ,Brian anobva aenda ndokubuda akananga kutown sezvo anga anzi
nechikwambo akuzovigigwa $100, 000 ,saka Aida kuvaka Hotel ,saka anobva aenda kutown
kumbonotora macotations ehotel,,Rutendo arikumba anosara achichema nekuti yaiva first time yake
kurowa naBrian, Rutendo akafunga kufonera vabereki vake avaudze kuti zvaBrian
haachakwanisi,,,anobva atora phone yake ndokufonera Mai vake inobva yadavigwa,,
(MAI RUTENDO)* hallo mwana wangu uriseiko ,wagona wafona ,izvezvi ndandatotuma housegirl
kotenga etym yekuti ndikufonere,,, zveshuwa ndanga ndakutonetseka,
(RUTENDO)* mama mirai izvozvo ini ndinenyaya,
(MAI RUTENDO)* chiii mwanangu taura neni,
(RUTENDO)* mama imba ino yandikugara naBrian mama ndirimumoto muchizarira
chaimo,izvezvi ndichangobva mukurohwa chibhakera naBrian ,nenyaya yekuti ndamuudza kuti
ndoda kumboona kuti room yaanogara akakiya imbori nei ,yaanongopinda ega imbori yechiii
,ndozvandarowegwa nechibhakera izvozvo
(MAI RUTENDO)*Brian anorevesa angarova mwana wangu ini sure ,ko room yacho inorowegwa
munhu imbori nechiiii?? Kasi akaromba here ,
(RUTENDO)* mama ini kutaura sure ndoonawo sekudaro ini,
(MAI RUTENDO)* horaiti mira mwanangu umbotanga waona zvikufamba sei ,imba inoda
kushinga nekunamata zvese ,kasi akakurova futi unondiudza ,zvisinei ndichataura naBaba vako
vadzoka kubasa pamusoro penyaya iyi ,
(RUTENDO)* mama ndichamboshinga sekutaura kwamaita ,but Baba nehasha dzavo dai mukarega
kuvaudza plizzz
(MAI RUTENDO)* ndinotovaudza chete nekuti baba vako havadi newe because ndiwe wega,
(RUTENDO)*OK mama zvakanakai regai ndimbobikira mwana porridge mova nezuva rakanaka
byeeee, anobva adroper phone ndokunobikira mwana porridge ,uku dama razvimba nekuda
kwechibhakera chiya,,,,

ON THURSDAY
MASTER MASTER MASTER ,ndinonamata kwamuri mwari wangu ,mwari wangu ndini mega
hoooo master ,hoooo master ,zuva ranhasi ndikunamatira vana ava30 varikuenda kuTrip kuti
,nyama nemadrink matsvuku ndivo ,hiiii ndanamata itai kutonga kwenyu ishe ,ndokumbirawo tenzi
Amen ,,,,ava ndiPastor vainamatira vana vaida kuzoenda kuTrip mangwana aitevera ,sezvo
mangwana yaiva Friday saka vaizomukira uye vaisakwanisa kuzoonana naPaster ,saka vakagara
vanamatigwa vana vaye ,,,
Nguva iyi Mai Ticha vanotarira calendar paphone yavo varikumba kwavo ,ndokubva vaziva kuti
iThursday ,saka kureva kuti vana vaya 30,varikenda mangwana makuseni kuTrip ,Mai Ticha
vakabva vatanga kunamata vachichema vachiti ,nhai tenzi madarirei musasiya vana vachinofa tenzi
pindirai ishe wangu ,varoyi havangadye nyama yevana ,ndakumbira ishe wangu pindirai Amen,
,,Mai Ticha vakazofunga zano rekuti mangwana acho makuseni vaizomukira kuchurch kuma6 vana
vasati vasumuka kuchurch kupinda parwedo vonorambidza vana kuenda kutrip uku ,iro ndozano
raive rakatongwara

Brian apedza kutsvaga tsvaga nekutora macotation ake ehotel anobva adzokera kumba kwake
,arimuroad ndokuona kamwe kakomana kamuzera we24 years . kaiva muroad kachitengesa
howa ,Brian anobva afunga kuti anga asina gatemen ,saka anobva ataura nekakomana kaya kuti
kanoda basa here ,kakomana ndokubvuma ndokuti hwongu inga munamato wangu wawikwa
naMwari basa ndikurida ,Brian anobva akasira house number yake ,ndokukaudza kuti mangwana
kaiuya kuzotanga basa ,kakomana kaya ndokutambira ndokuti ndinouya ,Brian anobva aenda
achisvika kumba anowana Rutendo Dama rakazvimba ,Rutendo achitodyisa mwana wake
porridge,,, Brian anobva atanga kuhwa tsitsi nekuona mhuri yake yakasuwa ,Brian ndokuti
(Brian)* Rutendo ndiregererewa honey ,
(Rutendo)*.....
(Brian)* Rutendo ndipindurewo ndikutaura newe ,,
(Rutendo)* nhai Brian wakatanga rinhi kutaura neHure ,
(Brian)* sorry Rutendo pandakuti hure ,ndanga ndipindiwa naSatan ,ndiregerewo ,
(Rutendo)* ndakuregerera murume wangu ,but gadzirisa zvinhu zvako Brian ukuziva zvaukuita
neroom yako,
(Brian)* sorry ndichabvisa Goridhe rangu muroom imomo ,wobva watanga hako kushandisa room
yacho,
(Rutendo)* hapana chakashata hapo ,I love you Brian ,Brian ndokubva atanga kutara nyaya
yaGatemen waawana achiudza Rutendo ,vapedza ipapo vakada kuzama but Bonde sikarudzi
yakaramba kushanda zveee,

Noc noc noc ,


Max come ini ,anobva apinda Max ndokutarisa ndiani ndokuona aaa ndimukoma wake Morris ,Max
anobva asumuka ndokumhanya ndokumbundirana namukoma wake vachifara ,,,
(Max)* Morris urimupenyu mukoma wangu,,,
(Morris)* ndirimupenyu mwana wamai ,
(Max)* wanga warova ufunge ,otherwise kwanga kurisei Ku University ,ndimi madai ka mune
maDegree ,
(Morris)* ehe takango tevedzera matsimba enyu mukoma ,apa hangu handisi kugara ndikuda
kuenda kwasisi but ndanga ndangoti ndidarike ndichikutsiurayi nyaya 1,
(Max)* nyaya yei nhaiwe Morris
(Morris)* mukoma munoziva vanhu vanongokutaurai kumusha uko nenyaya yenyu,,,,****Max
anobva arohwa nehana kuti yechikwambo inenge yakabatiwa kumusha****
(Max )* nyaya yei iyoyo,
(Morris)* nyaya yenyu hamuizivi here imi
(Max)* aarrr kana
(Morris)* vanhu vakutaura kuti sei musingadi kuroora imi makura ,shuwa motangigwa neni imi
murimi mukuru shuwa
(Max)* kkkk hooo haaa pakaipa zvoita ndikushaya ka,
(Morris)*imi munhu ane mari semi shuwa kushaya mukadzi kasi ndedzekuromba here ,,but zvisinei
pane musikana wandaidzidza naye kuuniversity anonzi Viola Mutema ,musikana uyu imhandara
,ndakatomuudza nezvenyu akati anokudai ,saka ndikutoda kuti agouya muonane ,
(Max)* ndosaka uripo mufana wangu ,ndikutoda kababe shamwari ,
(Morris)* hapana chakashata aya mapicture ake muonei ,
(Max)* arrrr zvakari kabullet wena , mufana wangu Mira ndimbonokutorera drink umwe uchitaura
nyaya yako ,,,Max ndokusumuka achinotora Drink ,Time dzaanodzoka anowana morris aripasi ziso
rachena kuita white ,uku achibuda furo mumuromo ,apo achigwina gwina ,Max ndokutarisa
paTable ,ndokuona mapicture aViola apisiwa pisiwa ,Max ndokuona kachikwambo Angelina kaka
gumbuka kakamira ,Max ndokuti nhai Angelina waitei mwana wamai vangu ,,(chikwambo
Angelina) ndokuti iye ada kukutsvagira mukadzi haazive kuti wakaroora ini here , ndosaka
ndamudzipa ndamudzipira nyaya yekuda kukunyengera musikana nxxxx,Max ndokuti horaiti sorry
Angelina chimudzosera zvaanga ari haachafi akazviita futi ,manje ukamuuraira Mumba muno
ndinobva ndasungiwa unosara usina murume ,kachikwambo kaya kanobva kabata Morris ,,,Morris
ndobva aita Normal ,kachikwambo ndokuti kunaMorris ukangonyengera Max musikana
ndokuuraya ini ndini mukadzi wake ,Morris haana kana kuita nguva yekutsanangura akabva abuda
mumba maMax arispeed yembwa nhatu,,

Ava manheru Brian nemukadzi wake vakuda kurara ,Mukadzi waBrian anga otokwanisa week
pasina Bonde ,Mukadzi ndokuti Brian ngatimbozama futi nekuti ndasuwa Bonde ,Brian akazama
zvese ndomuzama hapana chakaitika ,Rutendo akati kuna Brian shamwari haa zvanyanya ini unoda
ndirarame sei ,Brian ndokuti sikarudzi inoramba kumira inyaya yekuti ndinenge ndakaneta
,Rutendo ndokuti ukumboneta nei ukurara naMarry wako wawaitaura paya hantie ,ok iribho ndisiye
ndakadaro enda unobatana namarry wako iyeye,,,,Brian anga onyara ndokuti cwty ,Mira
ndimboenda kutoilet ndikudzoka,Brian anobva abuda ndokuenda kuRoom yechikwambo chake
Marry achida kumbono kumbira kuti chimusungerewo nhengo yake zveusiku uhwu chete kuti
akwanisewo kuita Bonde naRutendo zvisinei ,anosvikamo ndokuona zvikwambo zviya zviya zvava
zviviri ,Brian akashamisika ndokuti arrrrr Marry ndiani uyo ,,(chikwambo Marry)* ndokuti*
ndavigira Rutendo murume uyo anonzi Peter ndabva naye kuMalawi ,ndiye akutonorara naRutendo
izvezvi ,iwe uchirara neni ,because ndaona Rutendo anoda bonde manhingi saka Peter ndiye
akunomufadza ,Brian ndokutarisa Peter ndokuona ko Peter wacho zvaariwo chikwambo zvee,,

END OF CHAPTER 8

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

---------------------------------------------------------------------------------------

CHAPTER 9

STORY BY SIMON PHIRI +263771643631

NDAKA ZOZVIPARIRA
SHUWA

Brian ndokutarira Peter ndokuona ko Peter wacho zvaari chikwambo nhai ,,,Brian anorohwa nehana
zvekuti dhuuu ,Brian anobva ati iwe Chikwambo Marry usada kundishungurudza wahwa ka ,wakati
unoda bonde neni tikuita wani ikozvino wavigira Rutendo shura rakadai unofunga kuti Rutendo
angabvume here , Kachikwambo Marry kanobva kati Brian kana wakutaura uchidaro ndoparadza
imba ino ,ndoparadza midziyo yese ,kusanga nisira motokari dzese dzawakatenga nesimba rangu
pamwe nemwana wako,,Brian anobva atiiii inga zvaoma Brian ndokuti ,sorry Marry usaita izvozvo
pliz ,saka Rutendo ndomuudza sei kuti Pava naPeter zvagara haangabvume ,(chikwambo Marry)*
ndokuti kana Rutendo akada kuramba kurara NaPeter anobva pamba pano nekuti imba ino isimba
rangu
,(Brian ) ndokuti * aiwa mukadzi wangu ndomuda pano haabvi pano pandiri ndopaari ,iye Peter
achaona zvekuita ini handikwanise kutaura naye because Rutendo haatombo tangike panyaya idzi,
( chikwambo Peter ) ndokuti* Brian watogona kubva kutanga mangwana manheru hauchatendegwi
kurara Mumba munorara Rutendo ,hameno kuti uchararepi nekuti ini ndini ndichange ndakurara
naye ,kasi ndichapota ndichizokupawo mazuva ekumborara naye but usanyanyo kutarisira because
handikupe zvekumhanya,,,Brian anobva abata musoro ndokutiiiiii eisshh saka manje
ndendichirarepi ,Rutendo agoti kudi nazvo ende gore rino NDAKA ZOZVIPARIRA SHUWA
,,,Brian anobva ati chiregai ndinorara ,ndicharara ndichifunga kuti ndichazvifambisa sei nekuti
pakaoma ,Brian anobva abuda ndokukiya door ndokudzokera mubedroom kumukadzi wake
,,Husiku hwese Brian haana kurara achifunga mazano akewo, zvisinei anobva ati tichaona
mangwana manheru kana asvika,

Ava makuseni ,Mai Ticha vanomuka nguva dzava 8:00 am ,Mai Ticha vanoshamisika kuti why
Alarm yavo isina kurira ivo vakarara vaiseta ,Mai Ticha vanobva vati tooo late ndokutora Ticha
nemacar keys avo ,ndokutobuda vasina kumbogeza mabori uku vakapfeka night dress ravo ,uku
kaTicha kasina kana kumbogezesewa ,Mai Ticha vanobva vanopinda mumota ,ndokutsika mafuta
vakananga kuchurch kuGFI ,,,varimunzira moziva zvoita Satan mota yavo inobva yaputika vhiri
rekushure ,Mai vaya vanobva vatobuda ipapo ndokumhanya kunotsvaga vanamakanika ,vanobva
vawana makanika ,mota iya iri pakati pekukanikiwa yatokutopera kuisiwa rimwe vhiri ,vanobva
vaona kaBhazi rudzi rwe(IVECO SPRINTER) ,mai vaya ndokutarira ndokuona ikudarika inevana
vaya vekutrip nechekare vakutoenda ,,,,Mai Ticha vanoedza kuda kuzama kumisa kabhazi aka but
nekumhanya kwakaiita hapana akavahwa ,Mai Ticha pavanoona kabhazi katoenda kadarika
vanobva vatanga kubuda misodzi ,,
Makanika ndokuti
(Makanika)* nhai Mother hamunyari here zera renyu mukuchema kuti vhiri remota raputika ,haisi
nyaya tatoisa rimwe makutoenderera mberi nerwendo rwenyu ,,
(Mai Ticha)*,kwete vamakanika haisi nyaya yekufa kwemota but pane zvatoitika
(Makanika)* aaaarr ambuya kasi mukuzama kutaura kuti hamuna mari yekundibhadhara ini
ndagadzira mota yenyu here mondiziva mushe here vhunzai vanhu kuti Pedzi akambomira sei
vanokuudzai handitambe pamari ini
(Mai Ticha)* bodo hazvisi izvozvo iyi mari yako $5 yawataura ,
(Makanika)* zvisinei Amai ini mari yangu mandipa mota yenyu yaita chiendai ,nekuti
makundichemera kunge ndini ndati murume wenyu ahure ,Mai Ticha ndokubva vapinda mumota
vachidzokera kumba ,Makanika ndokusara achiti harinyari ndozvorituma kufamba rakapfeka night
dress ,nemabori iyahwa shuwa moti murume angade tsvina idzodzi rega murume wacho ahura idiot
nxxxx,,,,,, uko Mai Ticha vachi tyaira mota yavo vachidzokera kumba kwavo vachingochema kuti
dai vana vakararama ,Mai Ticha vachisvika kumba kwavo vanotanga kunamata ,vachikumbira kuti
mwari vabetserewo vana vaya.

Mama zvimwe zvinhu ndamboda kuvanza but moyo wangu waramba mama ,uyu ndiMorris aitaura
naMai vake ,Mai va Maxwell,
(Mai Maxwell)* ko chiii nhai mwanangu Morris ,
(Morris )* mama nyaya iyi yotoda munhu akasimba moyo nekuti ihombe chaiyo
(Mai Maxwell)* taura moyo wangu wakasimba Morris ,
(Morris)* mama moziva ini ndaifanira kunge ndakaenda kwasisi but ndatoona better ndidzoke kuno
kuti ndikuudzei chokwadi mugare maziva ..moziva zuro pandakauya ndichimhanya mukandivhunza
kuti chii chaitika ndikati matsosti ,,
(Mai Maxwell)* ehe hantie wakauya wakazvimba huro kuratidza matsotsi acho anenge aitokudzipa
(Morris)* mama haasi matsotsi ndakutaura shuwa ,,,nezuro ndakaenda kumba kwamukoma Max
ndichida kuti ndivaudze nyaya yemusikana uyaViola .zvisinei ndakataura navo vaibvuma but
vachitsika tsika ,zvisieni takataura nyaya yaViola takapedza mukoma pavakaenda kunonditorera
Drink ,ndakacheuka ndikaona kakadzi kapfupi ,katema kunge pasi pepoto uko kaine ndebvu, ikako
mhamha kachikwambo chaiko ,pandakada kuti ndiridze mhere kakabva kauya kakandidzipa
ndakabva ndatoti ziiii ,zvekuti ndakatofa maHalf chaiwo ,Pasina chinguva ndakazongopepuka
ndava pasi kachikwambo Kaye ndokuti kwandiri ,,ukangoda kunyengera Max mukadzi ndokuuraya
,ndopandakaona kuti chikwambo ndakabva ndabuda ndiri bara ,,
(Mai Max)* eeeei chinekewo ooo my God ,ukutaura chindofa chaMax ndicho chakakudzipa
chichida kukuraya
(Morris)* mama ndinganyepe here ini
(Mai Max)*, chinekewo ,zvisinei rega, uone chonondiona chikambo ichocho ndinoda kutotsvaga
mari ndichaendako ,chinofunga ndingachizvarire mwana ini ,kana iri Mari yaMax ngaipere
,handingazvariri Chikwambo mwana ini ,Chichanondiona chikwambo ichocho kuti ndonzi maDube
special ,
(Morris)* ndokunge madzoka muri mupenyu..

Zuva rakafamba Mai Ticha vaingova vakavhura nzeve nemaziso vachifunga kuti vachawa nyaya
yetsaona but zuva rakange rotovira pasina kana changa chaitika ,Mai Ticha vanobva vafonera vaiva
kuTrip ikoko vachivhunza kuti vaive vafamba zvakanaka here ,Ndobva vaudziwa nevaiveko kuti
tafamba zvakanaka uye tasvika zvinodadisa ,Mai Ticha pavanohwa kuti vana vasvika zvakanaka
vanobva vatanga kutoimba havo ((mune Simba muropa raJesu ,Mune Simba muropa rajesu)) uko
vanobva vatanga kunamata zvavo ,ndokutoona kuti zveshuwa mwari vanga vadzinga nhamo
,,vanobva vatanga kuridza nziyo yaJah Prezha iya yekui ((tiise maoko mutidzingirewo nhamo))
nyamba kusaziva kuti zvese zvavaita hazvina zvazvashanda..

Ava manheru Brian naRutendo vachangopedza kudya ,Rutendo anobva ati Hatichiendai kunorara
Dady ,uku Brian nyaya dzake aidziziva zvake ,Brian anobva asumudza Bhule ndokuenda
kuBedroom .Rutendo nemwana vake vanobva varara havo ,...uku Brian anga ongoita kunge dzenga
achingo tenderera padoor rebedroom ..Rutendo ndokuti .nhai Brian chiii chikumbokunetsa iwe ..
(Brian)* hapana nyaya mudiwa inyaya yekuti ndikuda kumbonorara mumota nhasi zvangu
(Rutendo)* ko zvakatanga rinhi zvekuda kurara mumota izvozvo Brian
(Brian)* ndezva nhasi chete mudiwa ,ndikutya kubigwa mota seka rega ndorara ndakairinda ,
Brian ndokubuda ndokuenda kunorara mumota hake ,Brian apinda mumota anotanga kufunga
hupenyu hwaairarama mazuva ekutanga nezvaakurarama ikozvino ndokuona kuti ikozvino zvaoma
shuwa,,,
Rutendo arimumba achifunga kuti shuwa Brian hupenyu hwaakundiraramisa ndehupi uhwu kana
Gatemen achiona muridzi wemba achirara mumota achati chiii mwari pindirai .Rutendo anobva
atora Bhaibheri rake ndokutanga kunamata achinamata ,apedza ndokurara zvake nebhaibheri
mumaoko uko nemwana wake pamubhedha ,Pava pakati peusiku Rutendo akarara anohwa
achimutsiwa nekamurume Rutendo Rutendo muka ,Rutendo muka tiite bonde mukadzi wangu..
Rutendo muka, ....Rutendo anombofunga kuti kasi ndiBrian .Rutendo anobva amuka achiti baa
kuona arrr

END OF CHAPTER 9

---------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 10

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

NDAKA ZOZVIPARIRA
SHUWA
Rutendo anobva ati baaaa ndokuona arrrr kamurume kapfupi pfupi kunge mwana weGrade Zero
,uku kasina kupfeka kakatoshama uko zisikarudzi racho rakatomira nechekare uku rakakura kunge
redhongi,, RUTENDO ANOROHWA NEHANA anobva atanga kuridza
ziii mhere achiti (Brian Brian Brian ndouraiwa )* Brian anobva ahwa mhere iyi arimumota make
ndokuziva kuti comrade Peter vanga vasvikamo ..Brian anobva ati zano nderipi better
ndingoendako ndongosvika ndoita senge neniwo ndisina chando ziva ,
Brian anobva abuda mumota achimhanya akananga kubedroom kumukadzi wake .Brian achipinda
anowana Rutendo angoti ziiii akarara pasi akavhara maziso ,uku (chikwambo Peter ), Changa
chatobuda nechekare ...
Brian ndokuziva kuti chikwambo chiya pane zvachaita ....Brian anobva atora mvura ndokutanga
kudira kumeso kwemukadzi wake kuti pamwe ,angamuke zvisinei Rutendo anobva ango ramba ari
ziiii ,Brian ndokufunga kuti Rutendo afa ,Brian kufunga shuwa handichina mukadzi shuwa,,,
(Brian zvino Ndo paanochitanga kuchema achiti *,Rutendo mudiwa muka ndini Brian chii
chaitika ,Rutendo plizzz unoda kusiya Bhule asina mai here muka Rutendo ,,,
Rutendo anobva ahwa izwi remurume wake richitaura richichema. .Pasina chinguva Rutendo
ndokubva asvinura ..Brian anobva afara kuti adzimai vapenyu ,,anobva atanga kukisa mukadzi
wake achifara kuti mupenyu ,,,papera chinguva Brian ndokuzovhunza kuti chiii cha itika ,,,
Rutendo ndokuti *** Brian ndati ndakarara ndawa ndichimutsiwa ,ndakambofunga kuti ndiwe but
pandazomuka ndichitarisa kuti chiiii..ndaona kari karume kadoko doko kane mazindebvu apa
katema uye kanga kakashama kasina kana kupfeka ,ndopanda tanga kuridza mhere
ndikazongokaruka ndati ziii ndadona pasi ,,,
Brian ndokuti ** arrr Mai Blessing munenge manga muchirota nekuti hakuna zvakadaro panyika
,inyaya yekuti wanga uchirota ,
Rutendo ndokuti* Brian Brian Brain zvimwe usada kungondivhara vhara idzi hadzisi hope wahwa
ka .zvinhu izvi ishuwa and I think unechekuita nazvo futi
Brian* arrrrr ndingaitei nezvinhu zvandisingazivi ini .hapana chandomboziva panyaya yawataura
Rutendo ndokuti* horaiti chirara muno hakuna kwauchaenda ukangobuda muno ,ndorongedza
nhumbi dzangu nemwana wangu ndoenda ....Brian ndokuona yaoma Brian anobva ati ini hope
handina saka rega ndingogara hangu muno iwe chirara,
Rutendo ndokuti* Brian kana iwe wakagara neniwo ndogara kana wakarara neniwo ndorara nhasi
unondiona. ,Brian ndokuti its fine hatigare kusvika kwayedza ,,(vaviri ava vanobva vagara but
hapana aitaura neumwe uku Brian hana yairovera kugotsi kuti naPeter hakuna chakanaka)

Ava makuseni Max achangomuka uku musana hauchakwanise nenyaya yezvaanga arara achiitiwa
nechikwambo chake,,
Max anoti afambe aende kuToilet wanikwe musana ukuramba nekugwadza ,anobva ambogara pasi
akazorora because wairwadza ,moziva zvinhu zvaunoita uchishanda nemweya yetsvina zvogwadza
zvikuru zvisinei , akagara kudaro ndokuwa chikwambo chake chichimudana ,Max anobva aendako
achikambaira sezvo musana wanga uchigwadza ,anosvika ndokupinda muroom yechikwambo
,chikwambo ndokuti Max nyaya yandakudanira ndeyekuti ini ndava nenyota
(Max)* ok ndonokucherera mvura umwe
(Chikwambo Angelina)* iwe kwete nyota yemvura wakamboona ndichimwa mvura here ini
(Max)* saka manje chiiii
(Chikwambo Angelina )* ndikuda Ropa ,
Max anobva arohwa nehana
(Max )* uda ropa haisi nyaya ndonokutsvagira remombe kumabutchery
(Chikwambo Angelina)* iwe handisikuda ropa remhuka ndikuda Ropa ramai vako kana raMorris
iwe uchashara waunoda afe ndobva ndamuuraya ndomwa ropa mari yako inobva yawanda
(Max)* shamwari manje hona ndangosara naMai vangu naMorris chete saka manje vese ndovada
hapana wandoda kuti afe plizzz dai wati Ropa remombe zvaro
(Chikwambo Angelina)* hooo vese unovada nhai ,ini zvandichaita ndezvekuti anenge angosvika
pano ,pakati paMai vako naMorris ,ndinouraya 1 ndomwa ropa
(Max)* iiii usadaro shamwari ndokutsvagira umwe wekuuraya kuti uwane ropa asiri Mama kana
Morris
(Chikwambo Angelina)* reumwe munhu handidi kuriona mumuromo mangu nekuti harinake
zvando natso kuda,,, ,ini ndoda ramai vako kana raMorris .. pangu ndapedza ndamirira ropa and
ndikurida before a week because nyota yandibata saka wona kuti wamhanya mhanya ,,Max anobva
angoti horaiti achibuda muroom umu achikambaira ,anobva asvika panze ndokutanga kuchema Max
achiti , nhai mwari wee ndinzwireiwo tsitsi ndatambura ,nyamba kusaziva kuti haasati atanga

Brian apedza kugeza aingova nestress yekuti mukadzi shuwa anga auraiwa zuro ,ko dai akafa
ndaizotsanangura sei kuvabereki vake ...
Brian anobva aenda kuRoom yechikwambo chake ndokusvika ndokupinda ndokubva akiya.. Brian
nehasha ndokuti iwe Peter wakasiya waitei mukadzi wangu zuro ndizvo zvatakatenderana here
izvozvo kuti uuraye mukadzi wangu heee,
(Chikwambo Peter)* ini handisi munhu uite uchiziva kuti ndiri mweya wetsvina wahwa ka
,mukadzi wako zuro manheru akandisema futi ,shuwa angati ndichimumutsa ndichida zvinhu iye
oridza zimhere kana ndiwewo Brian
(Brian)* saka mukadzi wangu waida kumuurairei kana aive asingadi zvekurara newe
(Chikwambo Peter)* mukadzi wako ndakamurova ndichida kuitira kuti afende. Kana afenda ndobva
ndarara naye ,manje paakafenda ndakati ndichida kuenda pamusoro pake kuti ndichiita bonde
,ndakabva ndaona varume vaviri vachena vaive vakamira vakabata masowudhi..ndakambowa
vachitaugwa nezvavo varume ava mazuva anda ndiri kuMalawi hanzi varume ivava ingirozi
dzamwari hanzi vanouya pamunhu anonamata kuzomugwira ,,, kudiii kudii. Manje ini nengirozi
hationani ndakabva ndatotiza ndisina kuita bonde racho zvekuti handisi kufara izvezvi so
ndakagumbuka zvikuru ,mukadzi wako haafaniri kunamata because munhu wamunoti mwari neni
hatitoonani
(Brian)* wani ndakambotaura kuti Rutendo anonamata zvamoda kuita hazviiti zvonetsa ,,,
(Chikwambo Marry)* iwe iwe Brian unofunga ndakabva naPetet kuMalawi kuti uzomuudza tsoro
dzako idzodzo ,nhasi manheru Rutendo anofanira kutorara naPeter ,uye kana Rutendo akangobata
bhaibheri kana kungonamata chete ,ndinobvirisa zvese zvawakatenga nemari yangu .
(Brian)* ok ndahwisisa pliz usabvirise zvinhu ,nhasi vacharara vese,, ndikangoona Rutendo
achinamata ndomurova chaiko ,,,,zvisinei ko$100, 000 yangu iya iripi ,,chikwambo Marry chinobva
chasvitsa Brian Bag remari ,,,,
Brian ndokutambira mari iya kwakutanga kunyemwerera achiti ,,Peter mukadzi ava wako kubva
nhasi unorara naye ,,Brian anobva abuda muroom umu ndokuti rega ndimboenda kwaMax ndimbo
nomuvhairira nemari iyi

Brian achisvika kwaMax anowana Max aripo akagara achizvitova musana ,,Brian ndokuti Max Max
ndaita mari shamwari chimbogeza tibude timbonodya mari shamwari
(Max)* Brian shamwari zvinhu hazvina kumira mushe shamwari
(Brian)* ko chiii futi ,apa musana wako wakazvimba ,chiii chikumboitika pauri ,
(Max )* shamwari ndazoona moto Gore rino ufunge ,
(Brian)* chiiii nhai shamwari
(Max)* chikwambo changu chandionesa moto ,ndapa kutenda ,ikozvino mazuvano basa randiri
kungoita kuswera ndichirara nacho ,izvezvi musana wangu hauchakwanise imagine 10 rounds per
night shamwari ,,
(Brian)* ko zvakaipei
(Max)* hausi kuona kuti musana wangu wakazvimba here ,but nhaya huru shamwari ndeyekuti
chikwambo chakuda Ropa ramai vangu ,zvekuti mai vakufanira kutofa before next week.
(Brian)* arrrr shamwari but zvakakuomera ini handingakwanise kukunyepera wona yekutamba
because wakazvida ,,Brian ndokusumuka ndokudzokera mumota make akananga kumba kwake
Mai Anitha rega ndimboenda mutoilet ndikudzoka topedzisa kunamata tichishumira master
wedu ,,,ava ndiPastor vaitaura nemukadzi wavo Mai Anitha vanga vane vana vavo vaviri Anitha na
Ashanti.
(Mai Anitha)* nhai Pastor murume wangu ndakakuudza kubva rinhi kuti word rekuti master handidi
kuriwa pano ,,nekuti mwari arikumusoro kudenga haanzi master but anonzi Jehovah kana God
mahwa ka ,
(Pastor)* mai Anitha ndapawa inyaya yekuti ndakajaira kuti master chete zvisinei rega ndiende
kutoilet
(Mai Anitha)*kkkk pamanditi Mai Anitha ndabva ndatosuwa vana vedu vari kuTrip kk
(Pastor)* kana neniwo ndava suwa vana vedu ne2 days idzodzi but mangwana vakudzoka
zvavo.. ,,,Pastor ndokusumuka ndokupinda mutoilet ndokubva vatora Glass ravo raigara pakawanda
ndokuritarisa ndokuti (MASTER MASTER KWECHU)* MASTER vanobva vabuda paGlass riya ,,
(Pastor)* mandidana Master vangu ndauya
(Master)* ukuziva kuti kuswera mangwana iMonday saka nyama nemadrink matsvuku zvikutodiwa
kugathering zviri agent
(Pastor )* haisi nyaya mangwana vakudzoka kuTrip ndichaita kuti zvifambe nenzira kwayo mukuru
wangu
(Master)* zvakanaka ndaenda ,,,master vanobva vanyangarika paglass paye ,,pastor ndokuviga
Glass ravo ndokudzokera kumukadzi wavo uku vachingozvitongesa kuti zvino Anitha naAshanti
zvavarikoo kutrip ikoko ende pakatoipa apa ,,,,zvisinei vanobva vasvika ndokugara nemukadzi
wavo ndokupedzisa zvavanga vachiita

Rutendo arikumba kwake achifunga nezvehope dzaakamborota paya achirota kamurume kapfupi
kaimuti hapana chawati waona kaye kuhope ,Rutendo anobva asangisa hope nezvakaitika zuro
madeko ndokuona ndiko karume kaye kaakamborota ,Rutendo ndokutanga kuzvivhunza kuti why
maproblems akazoita worse after ndapiwa Anointed Oil naPaster why ,,
Rutendo anobva aenda paaive akaisa kagaba keAnointed Oil yake ,Achisvika anobva aona
mukagaba keAnointing oli musina anointing oil but mamave neRopa,,, Rutendo anobva
angosumudza kagaba keAnointing Kaye ndokunokakanda mumoto. ,ndobva aziva kuti Paster
vanenge suspect ,panguva yaanopedza kupisa kagaba keAnointing Oil "iya anobva ahwa muviri
wake uchivhuru vhuta kuita sanike pane chabuda maari ,,,Rutendo anobva atanga kunamata akabata
mwana wake achinamata ,,,Panguva iyoyo Brian anobva asvika ndokuti kunaRutendo iwe handidi
kuti unamate ,,,but Rutendo haana kuzviterera ndokuramba achienderera mberi nekunamata ,,Brian
anobva atora mugoti ndokutanga kuzhaka mukadzi achirova sekunge akurova nyoka yapinda
mumba ,,,
Brian aive asinga zivi kuti paanenge akurova mukadzi anenge asingarovi ega but anenge achirova
achitobetsegwa nechikwambo marry ,saka mega munongoziva kurova kwechikwambo
ndekwekuuraya ,Brian akaita about 10 minutes dzakasimba achirova Rutendo ,uku Bhule
achichema zvisingaiti aripasofa nguva iyoyo Brian aripakati pekurova Rutendo
Rutendo anobva adonha pasi ndokuti ziiiiii ..

END OF CHAPTER 10

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 11

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631
Rutendo anobva adonha Pasi ndokuti ziiii. Brain ndopaano tozo pepuka kuti zvanda ndichirova
zvekuuraya munhu atofa ka uyu .
Rutendo akatii zii kudaro anohwa izwi ramwari richiti kwaari mwana wangu nguva yako yekuuya
kwandiri haisati yakwana muka hako ..Rutendo ndipo paano pepuka ndokuona Brian akabata
murumo ,,
Brian akabva ashamisika kuti marovero andaita munhu uyu achiri mupenyu shuwa ,,
Rutendo anga akuvara muviri wese uku skirt yake yanga yangova ropa ,,
Panguva iyoyo phone yaRutendo inobva yatanga kuRinger .Rutendo ndokutarisa ndokuona ndiBaba
vake vanga vafona anobva adavira *
(Baba Rutendo)* hallo mwana wangu urisei hako
(Rutendo ndokupindura achiti ndiri mushe makadi baba ,,,uku achichema semunhu anga
achangobva mukupondewa ,,,,Brian paanowa Rutendo achiti makadi baba ,,,anobva arohwa nehana
kuti Rutendo akutoudza baba vake zvikuitika,,,,)
(Baba Rutendo)* ko mwana wangu ukuchemei
(Rutendo)* hapana baba ndikungo chema kuti ndakusuwai
(Baba Rutendo)* mwana wangu usandivanzire ndiri baba vako ,kana pane chikuitika taura..
(Rutendo)* parezvino hapana chakaipa chaitika baba mumba mangu tiri kufara nemurume
wangu,,,otherwise varisei mama vangu
(Baba Rutendo)* mama vako vari mushe vanga vachiti vada kuuya kuzotora muzukuru wavo Bhule
kupera kweGore
(Rutendo)* hapana chakashata baba I love you mugomhoresa mai vangu ..
(Baba Rutendo)* zvakanaka ugomhoresa mukwasha wangu umufarise byeee,,, vanobva vakata
phone Baba vaRutendo ....Rutendo haana chaakataura naBrian akabva asumudza mwana wake
ndokunogeza apedza kugeza ndokubva adzoka paarowegwa naBrian akatanga kukorobha ropa
rake ,,,Brian achiona zvese izvi anga akugwadziwa mumoyo but Simba rekuti ataure naRutendo
anga asina ,,Nguva yeSadza yakwana Rutendo anobva abikira murume wake sadza but iye haana
kudya uye anga asingadi kutaura naBrian ,,
Brian anobva adya sadza raabikigwa naRutendo but moyo wake wanga uchirwadza kuti shuwa
nerudo Rina Rutendo munhu uyu akandiramba handife ndakawana munhu akaita saRutendo
,,,ndikumbo shungurudzirei mukadzi wangu...
Brian apedza kudya anobva ati rega ndimbonokumbira Rutendo Ruregero ,,Brian achisvika
mubedroom ndokuona Rutendo aripakati pekuchema achigwadziwa muviri uchiwedzera
kuzvimba ,apa achimwisa mwana wake mukaka ,,,Rutendo aiva musikana akanaka mutsvuku
,akasimba pakati nepakati but kutsvuka anga ari yellow born chaiyo ,akareba pakati nepakati ,,
Brian paanoona Rutendo achichema anobva ahwa tsitsi Brian ndokuti rega ndimbo buda pamba
pano because ndikaramba ndichimuona moyo wangu unoramba uchingogwadza ,,Brian anobva
abuda ndokuwaya waya

Phone ringing
Max anobva adavira
(Mai Max)* hallo Max ndati ndikuudze kuti mangwana ndikusvika Sunday makuseni kumba kwako
wanzwa ka,,
(Max)* aaaa mama imi ini handiko kumba ndiri kuBridge chaiko ,kwakanaka here
(Mai Max)* Max mwana wangu ndinokuhwira tsitsi shuwa zero rako wanga washayeyi kuita
zvinhu zvekubata zvikwambo ,shuwa munhuri yedu wanyadzisa Max ,kana baba vako dai vari
vapenyu vaisafara nazvo,,
(Max)* haaa handina chikwambo Morris anonyepa kana ariye akakuudzai izvozvo
(Mai Max)* mangwana ndikuuya nevanhu vesvondo kumba kwako ,tikuda kutokubetsera iwewe
(Max)* arrrr mongouyawo zvenyu but ,
(Mai Max) but chiiii?
Max anobva adroper phone ndokubva atoidzima kuitira vasatombe phone futi ,
Max hana yanga yorovera kugotsi manje kuti nyaya iyi yakora muto , Mai vangade kuuya kuno
shuwa , iiiiii apa panonetsa ,
Max ndobva azongozviudza kuti chamuka inyama because mai vake aiva ziva kuti vakavarira kuti
chinhu vatochivavarira havadzoke shure ..

Rutendo anobva ambo buda mumba achifamba famba muyard akabereka mwana wake kumusana
sezvo Bhule anga achichema ,,munoziva kuti vana mudzimba dzine mweya yetsvina havapindirani
mwana anogara achingo chema ,,Zvisinei Tanaka (gatemen) anga akatogara hake pagate achito
ridza power FM paRadio yake ,,
Tanaka anobva atarira Rutendo ndokuona ko zvaaka kuvara muviri wese wani ,Tanaka anobva
abvunza kuti nhai Mai Bhule kukuvara muviri wese chiii,, ,
Rutendo ndokuti ndadonha mumba ,,,
Tanaka ndokuti Mai Bhule moziva ini pane chinhu 1 chinondinetsa pano
(Rutendo)* chiii
(Tanaka)* rimwe zuva ndakarara manheru mukaroom kangu aka ndakamborota muchi vingwa
nekamwe karume kapfupi kachida kuku batai chibharo but karume ikako kachikwambo ,,
(Rutendo akabva aziva kuti Tanaka anenge anechipo chakewo rega ndinatso kuvhunza)*
(Rutendo)* kanga kakaita sei kamurume kacho
(Tanaka)* kana musiri paRun ,,ini ndine Chipo cheku drawer mifananidzo nyango yezvinhu
zvandakamboona kare ,kana muchida ndipei 5 minutes ndiDrawe zvanga zvakaita kamurume kacho
,,,
(Rutendo)* handisi paRun drawer tione ,,,Tanaka anobva atora pencil nepepa ndokutanga
kudrawer ,pasina 4 minutes anga apedza ndokubva apa Rutendo bepa riya ,Rutendo paanoti Baaa
anobva aona exactly kaRume kaakamborotawo paya exactly nekaya kakamuvinga usiku ,
Rutendo anobva arohwa nehana ndokukanda pepa riya pasi achivhunduka
(Tanaka)*Mai Bhule are u alright ,
(Rutendo )* no kamurume aka kakandivinga zveshuwa hope dzako hadzinyepi saka kureva kuti
chinhu ichi chikugara pano,
(Tanaka)* ndoonawo sekudaro uye murume wenyu ndogara ndichimuona nepawindow ane chinhu
chaanowanzo viga paRuva iro but zuva hariperi asina kuuya kuzochitora futi ,chinhu ichocho
chinenge key ,saka kana aviga futi ndokudanai motora momboona kuti chii
(Rutendo)* waita basa Tanaka chirega ndiende ndonobikira murume wangu ,Rutendo anobva
adzokera mumba but anga akuona kuti mwari vanenge vakumuonesa zviri paground

Brian anobva azodzoka hake kubva kwaanga aenda , ,but kutaura nemukadzi vaisa taura vese
,Rutendo paanoona nguva dzaBrian dzekudya dzakwana anobva abikira murume wake ndokusiya
aisa chikafu mukitchen ,
Brian anobva aenda kunodya apedza ndokudzoka apa nguva dzekurara dzanga dzakwana ,Rutendo
anobva asumudza mwana wake ndokuenda naye mubedroom ,ndokusvika achirara hake ,,uku Brian
vanga vonetseka kuti mukadzi haacha vhunzi Bonde mazuvano uye haachandi vhunzi kuti nei
ndisinga charari muroom yaanorara mukadzi uye anenge anemunhu waakurara naye chete
mazuvano kana kuti ndikungo fungirawo zvangu hameno ,,Brian ava manheru anobva
angotevedzera mutemo waakapihwa napeter wekuti haafaniri kurara munorara Rutendo ,,Brian
anobva aenda hake kunorara mumota ,,
Nguva dzava pakati peusiku Peter anobva aenda kunaRutendo achida kunoita Bonde ,,,kanga kava
kechi two achiyedza Peter achipinda mumba muya munorara Rutendo anoona Pamubhedha
pakagara Ngirozi mbiri dzinemapapiro ,kureva kuti dzanga dzakarinda Rutendo ,
Peter pavanoona kuti ingirozi vanobuda muroom umu vachitiza vari bara vachidzokera kwavo ,

Manheru aya Tanaka akarara hope zvake kufa arimuroom yake yaairinda ari ,anobva arota dzimwe
hope zvee,
Anorota achidzingirirwa arikuma kuva pakati peusiku achimhanya zvisingaiti but chakamunetsa
ndechekuti chinhu chaimudzingirira anga asinga chioni aingowa mafootsteps kureva kuti aitevegwa
..Achimhanya kudaro ari kumakuva anobva azopingiwa nerimwe dombo ,ndopaanobva adona
pasi ,,aripasi kudaro anobva aona kachikwambo kechikadzi kachisvika paari ndokuti kwaari usada
kupindira nyaya yausingazivi unofira mahara ,nhasi ndoda kukupa chidzidzo. .kachikwambo
kanobva kasumudza banga rakanga kakabata kachida kuuraya Tanaka ,,
Time kachikwambo pakanoti kabaye Tanaka padumbu ..Tanaka anobva avhika banga riya neruoko
ndobva ramubaya paroko rake ,
Panguva iyoyo anobva apepuka Tanaka ndokuona Ropa pamachira ake ,anobva atarisa ruoko rwake
ndokuona atokuvara zvisingaiti achekeka zvechokwadi ,,anobva amuka ndokuwetera ruoko rwake
ndokubva atanga kubema mbanje achida kuyedza kudzinga mweya iya

Ava makuseni zuva iri riri SUNDAY ,,Brian anomuka ndokubuda mumota ndokunanga kuroom
yechikwambo chake achida kumbonovhunza kuti Peter kuti akabudirira here zuro madeko paPlan
dzake.. Brian achisvikamo muroom yaPeter anowana Zvikwambo zvake zvakagara
zvakagumbuka ,,
(Brian)* nhai Peter wakazo budirira here zuro
(Chikwambo Peter)* iwe Brian usada kutamba neni ukuhwa ,ini kubva nhasi handichada kurara
nemukadzi wako because anonamata pese pandongosvika paari ndikungowana ngirozi dzake
dziripo ,ndakakuudza nengirozi hatipindirane ndikadziona ndohwa kutsva muviri wese
(Brian)* wani ndakataura kuti zvionere ukukonewa wega ,
(Chikwambo Marry)* mukadzi wako hatichamude pano Tuesday inofanira kusvika asisipo pano
nekuti hatingagare nevanhu vamwari pano nxxx
(Chikwambo Peter)* ipapo haunyepe Marry ,Rutendo Tuesday inofanira kusvika asisipo pano kana
zvisiri izvozvo Brian unofa ..
(Brian)*, aaa musandiuraye haisi nyaya ndomudzinga pano munondiziva wani ,,ndakamudzinga
ndokutsvagirai umwe mukadzi asinga namati ,,vanobva vatenderana na Peter
,,,Brian anobva abuda umu ndokusiya akiya door ,ndokubuda achimboenda kunobanker $100,00
iya yaakavigigwa ,Brian anobva abuda panze ndokuenda paRuva ndokutarira kuti hapana
arikundiona here .akaona kuti hapana ndobva aviga key yake iya ,,,ndokubva avhurigwa gate
naTanaka ndokubva aenda Brian ,,,uko Tanaka anga aona zvese Brian achiviga key iya

Rutendo achimuka makuseni anobva anamata achitenda mwari wake kuti vamuchengeta
usiku ,Rutendo anobva adongorera nepaWindow ndokuona mota yaBrian haimo yanga yatobuda
kare ,Rutendo akati mukana ka uyu rega ndimbono ona Tanaka panze ,Rutendo achisvika kuna
Tanaka anoona Tanaka akakuvara paroko ,
(Rutendo )* ko Tanaka wakuvara nei. ,,,,Tanaka anotanga kuchema achiti
(Tanaka )* pano pamba handinga zvigoni ndofira yandisingazivi ,zuro ndakarota ,ndichidzingirigwa
nechikwambo chikandibata pandakadonha. Ndokubva chati kwandiri ndisapindire nyaya
dzandisinga zivi ,chikati choda kumbondipa chidzidzo ,ndopachakaburitsa banga chichida
kundibaya ,ini ndopandavhika ndikakuvara paruoko ,Ndichibva ndapepuka ndokutoona
ndakuvara ,saka ini zvekuramba ndichishanda pano Mai Bhule ndingafe
(Rutendo)* Tanaka do you believe in God here
(Tanaka)* ehe ndotenda kuna mwari but pane dambudziko rimwe riripo nderekuti ini ndotamba
zvigure ndakaberekegwa mumhuri yezvigure ,zvandikutotaura handifanire kunge ndichikuudzai
(Rutendo)* kana uchitenda muna mwari ,rega kutya hapana zvachinokuita chikwambo ichocho
panguva ino ndikuda udrawe zvanga zvakaita chikwambo chakakubaya
(Tanaka)* Mai Bhule shuwa mondiurayisa ,but zvisinei regai ndidrawe ,,,,Pasina 6 min anga apedza
anobva apa Rutendo picture riya. ,Rutendo ndokutambira picture riya ndokuona chikwambo wani
,anobva atarisisa zvanga zvakanyogwa padress rachanga chakapfeka ndokuona pakanzi Marry ,,,,
( Rutendo anobva ayeuka zuva riya raakawanikidza Brian agere pasofa achiti* handingarari
naMarry nechikwambo) Rutendo ndokubatanidza ndokuona ndochikwambo chakavinga Tanaka ,,
(Rutendo)* Tanaka thank u so much ukundionesa zvakawanda ,saka nhasi makey asiya here Brian
(Tanaka)* hwongu ndamboona variparuva iro,,,
Rutendo anobva aenda paruva ndokunoona paneKey ,,,anobva atora key iya ndokuenda kuroom
yaigara negoridhe raBrain iya .Rutendo asati akinura Door anotanga anamata ,apedza ndokubva
avhura door riya ,ndokupinda mukati kuoona arrrr zvikwambo zviviri ,chiya chirume chaka
mbomuvinga usiku. Kutarira chimwe kuona aarr chiMarry chaaratidziwa paPicture naTanaka

END OF CHAPTER 11

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 12

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

Rutendo asati akinura Door anotanga anamata ,apedza ndokubva avhura door riya ndokupinda
mukati kuona arrr zvikwambo zviviri ,chiya chirume chaka mbomuvinga usiku paya ...kutarira
chimwe kuona arrrrChiMarry chaaratidziwa paPicture naTanaka ,,
Nguva iyi zvikwambo zvinobva zvatarira Rutendo zvese zviri zviviri ,
Marry kanobva kati kuna Rutendo * sei usina respect
(Rutendo)* this is my house nemurume wangu ,mukumbodei muno
(Chikwambo Peter)* hahahahaha
(Chikwambo Marry)* haha this is not your house ,imba ino isimba rangu ,iwe hauzivi kuti ndini
mukadzi waBrian here uye panapa Brian achiuya ukupabva .
(Rutendo)* ini hapana zvamungandiite .Brian murume wangu achingosvika ndikuda kumuudza kuti
tibve pano,tokusiyai nemba yenyu
(Chikwambo Marry)* wafarisa ndopawa fira pano ,,chikwambo Marry chinobva chasimuka
ndokubva chatanga kubhururuka chichienda kunodzipa Rutendo ..Pachinosvika pana Rutendo
chakuda kumudzipa chinoona ngirozi chinobva chadona pasi ndokubva chatanga kutsva ,,
Nguva iyoyo Rutendo anobva ati better ndibude muroom ino .
Rutendo anobva abuda ndokukiya door riya ,ndokubva anodzosera makey aya paRuva riya ,,anobva
adzokera mumba ndokunogara akabata mwana wake akamirira kuti kana Brian akauya amuudze
kuti zviri better vatize imba iyi because ine mhepo and Rutendo aiziva kuti Brian anoterera

.Zvisinei Brian anobva asvika ndokubva avhurigwa gate naTanaka .


Brian achiburuka mumota yake anobva ango nanga kuruva rake achisvika paruva anotarira pasi
ndokuona pane matsimba epush raRutendo ,,,Brian anobva aziva pane zvaiitika ,,, anobva atora key
iya ndokuenda kunaTanaka ndokusvika achiti ,(HIWE TANAKA MAI BHULE VAMBOSVIKA
PARUVA HERE APO )
Tanaka ndokuti kwete havana kubvira vambosvikapo..
Brian ndikuti * u think this is a game hantie ,manje mondiguta nhasi muchaona ..Brian ndokubva
apinda mumba akananga kunaRutendo straight ,,anobva asvika kunaRutendo ndokuti (HIWE
WANGA UCHICHA TSVAGEI PARUVA RANGU) ..Rutendo haana kupindura akaramba ari zii
(Brian )* hooo mukutoita mafunnies panapa nemurume wako Tanaka nhai ,,,ndaiziva kuti vaviri imi
morara mese manje nhasi muchandiguta ,
Brian anobva ahwa mumba muchinhuwa vhunzi ratsva ,Brian ndokumhanya kuroom yake
yezvikwambo ndokusvika achipindamo ,achitarira kudai kuona kachikwambo Marry katsva muviri
wese apa kachichema , Brian ndikuti
(Brian)* nhai Marry mukadzi wangu chiii chaitika
(Chikwambo Marry)* ndapisiwa nemukadzi wako ndafunga kubva pano ndoenda nezvinhu zvangu
zvese
(Brain)* Mira sorry Marry usaende ndokuda zvikurusa
(Chikwambo Marry)* kana uchida ndigare pano Rutendo anofanira kutobva pano izvezvi kana
akasabva ini ndobva,,,
Brian ok Mira ndinomudzinga , Brian ndokubuda muroom umu akagumbuka ,anosvika muroom
mamuna Rutendo ndokutanga nekungorova munhu asina kana kuvhunza ...Rutendo akarohwa
akomana zvekurowa zviya ,,,, Brian achirova achiti (HURE ,MBAVHA ,UNOBATA BATA KEY
YANGU IMBWA YEMUNHU)
Tanaka ari mumba make anohwa Rutendo achipondewa mumba ,,
Tanaka moyo wake unobva wagwadza anobva aendamo muroom muya ndokusvika ndokuona too
late ,Rutendo atoti ziiii nechekare pasi ati rabada ,,,
Tanaka anobva aita hasha anobva arova Brian hedha yakasimba ,Brian paanoda kudzosera ,anobva
arohwa chamatsenga dzungu ndobva adona pasi ,,
Tanaka anobva asumudza Rutendo ndokumubereka ndobva atora Bhule ndokukabata ,anobva abuda
navo mumba umu achitiza navo atoona kuti munhu angafe ,,,
Tanaka ava pagate anobva aremegwa ndokudona pasi ,Panguva iyoyo Brian anobva abuda akabata
zidanda ne Bag rehembe dzaRutendo nedza Bhule apa kwanga kwakunaya ,,,,Brian anobva asvika
ndokutanga kuwedzera kuponda Rutendo nedanda riya ukuRutendo izvi rekuchema ranga rapera
anga angoti baba baba huyai ,, Brian apedza ndokukanda hembe dziya panze pegate ndobva akweva
Rutendo nevhudzi ndokumukana panze ,,ndobva atora kaBhule ndokukakanda panze ,ndobva akiya
Gate akati iwe Tanaka tosara tichipedzerana tiri two nenyaya yako yekurara naRutendo ndisipo
...Brian ndokutora makey egate ndokuiya , ndokuenda mumba make ,,,Rutendo anobva amuka
ndokusumudza mwana wake nehembe dzake ndokubva atanga kuenda neRoad apa kuchinaya
zvisingaiti kana kufamba kwacho asinga kwanisi ,Rutendo arimuroad kuenda anobva ahwa voice
raTanaka richitaura ririmugate richiti Mai Bhule fambai zvakanaka ini ndavharigwa muno ,
Rutendo akada kuti ati thank you but voice rakaramba kubuda ,anobva aenderera mberi kufamba
achitevedza Road achingoyenda nayo..

Max akagara hake kumba ,,achifunga kuti better nditize chikwambo ichi because chandishungudza
zvikuru shuwa chingade kuuraya mai vangu shuwa ndozova wanepi vamwe ko Morris angazofe
akada kundiona futi here???
Anobva ahwa noc padoor ,ndokuti come ini ...Achidai kuona ndimai vake vaiva vauya nevamwe
madzimai 5 ekuchurch yavo ,
Max paanoona izvi anobva avhunduka ndokuti
(Max)* ko mama ndaka kuudzai wani kuti handipo
(Mai Max)* mwana wangu hatina nguva yakawanda yekutsana ngura isu tauya kuzokusunungura ,,
Mai Max neGroup vanobva vatanga kunamata ,vachifamba Room by Room yemumba maMax ,
Vanobva vazosvika Paroom yaiva nechikwambo ,vakadzi ava vari 6 havana kuziva kuti ndimo
munechikwambo vakati vachipinda ndokuona kachikwambo Kaye kachisanduka kuita zinyoka uku
richitaura richiti maita basa mauya ndawana chekudya, zinyoka zi (Anaconda) chaiyo ,Vakadzi vaya
pavanoti baaa izvi muchavaziva kuti ndivo vanga vachinamata here vakabva vati tsoka tibereke
ndokubva vabuda pamba apa varispeed zvima bhaibheri zvakandwa pasi ,,
But Mai Max vakasara vari 1 vachida kuigwisa nyoka iya ,,,but vakakurigwa vasvipirwa kumeso
nenyoka iya ,ndokubva vabuda mumba umu vachimhanya Time dzavano svika panaMax vanobva
vadona ndokutofirapo pakarepo ..Max zvadai akaona kuti too late aizofira mujere ,ndokubva ati
better ndirongedze hembe dzangu nditize imba ino ,Max anobva arongedza hembe dzake ,ndokuisa
mubag ndokufunga kuti better nditize ndakananga kuSouth Africa ,,Max apedza zvese anobva
apinda mumota yake ndokurova pasi ,achiti atiza chikwambo chiya namai vake vanga vafiramo ,
Max afamba about 50 km ,akuti haaa ndapona ndabudirira ndatiza chikwambo ichi, anobva ahwa
voice richiti hauna zvawati waita cheuka uone paanocheuka ndokuona zinyoka riya ririkushure
kuback sit ,Max anobva arohwa nehana ndokubva ashaya balance pasteering ,mota inobva yatanga
kumheya mheya, ndokubva yanorovera paZidombo ,ndokubva yapidiguka mota kuita marara Max
ndokufiramo mukati ,, Vanhu pavakasvika vachida kubatsira vanobva vaona mumota muchibuda
zinyoka (anaconda)* imomo. Pane akamirapo here speed vanhu vese vaiva ipapo ,Vakazouya
maPurisa vakasvika But Mutumbi waMax hauna kuwanikwa mukati umu,,,kuti waiva wadyiwa
nenyoka here kana kuti waiva wadzokera kwaMaster hameno

Mai Ticha vakagara kumba kwavo vachangobva mukufona vachivhunza kuti vana vanga vava
papi ,,,Vanga vaudziwa kuti Vana vatori muRoad kudzoka kumba uye Camp yavo yakamba
zvakanaka,
Mai Ticha vakaziva kunamata kwakanaka vakatanga kufara vachiti zvaita but sake yekuti vana still
vachiri moroad kuuya hatingati vararama ka ,totozotenda vasvika ,,,Zvisinei Mai Ticha vanobva
vahwa paRadio pavo pachitaugwa kuti mumugwagwa maitika tsaona huru yevana ...Mai Ticha
nguva iyoyo vanobva vavhura ZTV ,, ndokuwa news reporter achiti (tsaona yaitika mumugwagwa
weroad yesengeza ,ndeyekuti mutyairi anga achityaira bhazi ranga rine vana vachibva kuti Trip
,Driver anona mombe mberi kwake abva ayedza kudzvenga mombe iya ndokubva anoroverana
nebhazi ranga richenda kuSouth Africa ,,uye bhazi revana ava raparara kuita marara
,,kusanganisira neBhazi ranga richienda kuSouth ,,,,
Mai Ticha vanobva vatanga kuchema kuti nhai mwari vana vese 30 vofirei shuwa,,,,Zvisinei news
reporter anobva atanga kuenderera mberi nenyaya achiti the good news is vanhu vese vemubhazi
ranga richienda kuSouth hapana kana Afa kana kukuvara but kubhazi rekuTrip pafa vana 2 vasika
chete. Vamwe vese 28 vararama uye havana kana pavakuvara totenda mwari kunyango hazvo
tarasikigwa nevaviri ,,
Mai Ticha kuhwa izvii vakafara zvisingaiti kuti shuwa mwari vanesimba vabetsera vana 28
,kunyango zvavo vaviri vashaika hazvizogwadzi maningi ,,
Mai Ticha vanobva vati better ndimhanye kuchurch kunoudza vamwe ,vanobva vatora mwana wavo
neUmbrella yavo sezvo kwaina ndomubva vapinda mumota yavo vachiti vanozo darika
nekwaRutendo vachimutora nekumuudza nyaya yevana ava kuti mwari vagwisa ,Mai Ticha
vanobva vabuda ndokunanga kwaRutendo nemota yavo kuti Vana vatori muRoad uye vakaita Camp
yavo zvakanaka,
Mai Ticha vakaziva munamata kwakanaka vakatanga kufara vachiti zvaita but sake yekuti vana still
vachiri moroad kuuya hatingati vararama ka ,totozotenda vasvika ,,,Zvisinei Mai Ticha vanobva
vahwa paRadio pavo pachitaugwa kuti mumugwagwa maitika tsaona huru yevana ...Mai Ticha
nguva iyoyo vanobva vavhura ZTV ,, ndokuwa news reporter achiti (tsaona yaitika mumugwagwa
weroad yesengeza ,ndeyekuti mutyairi anga achityaira bhazi ranga rine vana vachibva kuti Trip
,Driver anona mombe mberi kwake abva ayedza kudzvenga mombe iya ndokubva anoroverana
nebhazi ranga richenda kuSouth Africa ,,uye bhazi revana ava raparara kuita marara
,,kusanganisira neBhazi ranga richienda kuSouth ,,,,
Mai Ticha vanobva vatanga kuchema kuti nhai mwari vana vese 30 vofirei shuwa,,,,Zvisinei news
reporter anobva atanga kuenderera mberi nenyaya achiti the good news is vanhu vese vemubhazi
ranga richienda kuSouth hapana kana Afa kana kukuvara but kubhazi rekuTrip pafa vana 2 vasika
chete. Vamwe vese 28 vararama uye havana kana pavakuvara totenda mwari kunyango hazvo
tarasikigwa nevaviri ,,
Mai Ticha kuhwa izvii vakafara zvisingaiti kuti shuwa mwari vanesimba vabetsera vana 28
,kunyango zvavo vaviri vashaika hazvizogwadzi maningi ,,
Mai Ticha vanobva vati better ndimhanye kuchurch kunoudza vamwe ,vanobva vatora mwana wavo
neUmbrella yavo sezvo kwainaya,, vanobva vapinda mumota yavo vachiti vanozo darika
nekwaRutendo vachimutora nekumuudza nyaya yevana ava kuti mwari vagwisa ,Mai Ticha
vanobva vabuda ndokunanga kwaRutendo nemota yavo
Mai Ticha vaya vachisvika kumba kwaBrian vachida kuona Rutendo ,,vanobva vapaker mota yavo
paside peroad ,ndobva vaisa maHarzads ndokutora umbrella yavo ndokuivhura coz kwainaya
vakuru ,
Vanobva vamhanya pagate ndokunoka ....Tanaka arimuroom make anohwa gu gu gu pagate anobva
abuda kunotarira ndiani
(Tanaka)* ndiani akugugudza
(Mai Ticha)* ndini Mai Ticha shamwari yaRutendo ndokumbirawo kumuona ,,,,,Tanaka anobva
atanga kuchema .
(Mai Ticha)* ko unochemei aripo here
(Tanaka)* Rutendo adzingiwa pano nemurume wake arohwa zvekuti handifunge anorarama
,arohwa zvikuru ndamboedzawo kubatsira asi ndakonewa ,handifungi angararame
(Mai Ticha)* saka aendepi
(Tanaka )* ndamuguma aripanze ,,Mai Ticha ok thanks ndatogona ndauya kuno mwari vane Simba
rega ndomutsvaga ,,,Mai Ticha vanobva vatarira pasi ndokuona ropa richiyerera richienda neroad ,,,
Mai Ticha vanobva vapinda mumota yavo ndokutanga kutevedza ropa riya kwaraienda zvisinei
rinozosvika richipinda mukasango ropa riya ,,,
Mai Ticha vanobva vabuda mumota apa kwanga kwakuvira ndokubva vatanga kutevera ropa riya
nemumagwenzi ,
Zvisinei vanozosvika parino perera ropa riya ,Ndokutarira panechimwe chigwenzi ndokuona
Rutendo akarara akati rabada pasi nemusana akakuvara muviri wese apa ari ziii no kufema ,,apa
zamu riri mumuromo maBhule achimwa mukaka ***

END OF CHAPTER 12
----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 13

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

MAI TICHA NDOKUTARIRA PANE CHIMWE CHIGWENZI NDOKUONA RUTENDO


AKARARA AKATI RABADA PASI NEMUSANA NO KUFEMA ,,APA ZAMU RIRI
MUMUROMO MABHULE ACHIMWA MUKAKA**
Mai Ticha vano rohwa nehana ndokumhanya pana Rutendo ndobva vamusumudza zvese naBhule
ndokunovaisa mumota .vapedza ipapo ndobva vapinda mumota ndokutsika mafuta vakananga
kuGeneral Hospital ,,Vachisvikako Rutendo akaburutsiwa mumota umu ariii ziiii ,ndobva
aendesewa muWard yevakadzi iya inoisiwa vanhu vanenge vaita tsaona ,coz nezvaaive Rutendo
aingota kungati munhu aita tsaona mumota..
Zvisinei vanono Muisa muWard iyi. kuti arapiwe ,,,, Zvino Mai Ticha vanga vongo chema vakamira
panze ,, zvisinei panobva pasvika vamwe nurse ndokuti kunaMai Ticha ** mother you should not
worry hama yenyu iri ryt ,zvekuti mangwana anobuda hake because tatarira everything her heart is
working properly just that kukuvara kwaakaita anoratidza kuti akarohwa maningi nyama dzake
dzakazvimbira mukati so I asure you kuti nhasi endai henyu morara kumba tichasara tichimupa
mapiritsi neinjection rekuti Pain iite zviri nani uye kuzvimba kwaakaita kuserere ,saka mangwana
huyai masikati nenguva dza1 moona anenge ava sei, kana ava mushe mobhadhara mabills
moenda...Mai Ticha vanobva vati maita basa Nurse ndokubva vapfugama pasi ndokuti please nurse
try your Best I beg you in the name of God ..
Nurse ndokuti * shuwa Amai we sensually hope kuti zvinoita but will try our best ,imi musamire
kunamata uye regai kuchema coz mukachema mukutomu wedzera kurwadziwa ,,,
Mai Ticha vanobva vati ok maita basa nurse regai ndiyende ,,
Mai Ticha vanobva vatora Bhule ndokuyenda naye kumba kwavo ,,Vachisvika vanosvika ndokubva
vagezesa Bhule ndokumupfekedza hembe dzaTicha vapedza ipapo ndokubika porridge ndikudyisa
Bhule naTicha ,Vapedza ndokutamba nevana ava ndokubva vanamata kuti mwari shuwa dai vaita
kuti Rutendo aite nani ,Bhule haangaite nherera in might name of Jesus AmenAmen

Husiku uhwu Mukadzi achichema*


Maihweeee kani mai kandi mai vangu kandi sure vana vangu kufa here ,,,nhai mwari madarirei
kunditorera vana vangu mwari ,yohweeee kani ,Mai vangu shoko chamakandi zvarira kanhi ,Mai
kandi Anitha naAshanti vana vangu madirei kundisiya ndiri lonely kudai ,,Mwari kanhi zvirinani
ndife ini ....uyu mukadzi waPastor aichema nezvaanga ahwa kuti paitika tsaona iya ,Vana vavo
Anitha naAshanti ndovashaika but vamwe vese 28 hapana kana akuvara kana kumarika zvako ,
izvi ndozvaigwadza Mai Anita kuti sei pangofa vana vaviri pamusoro pazvo vana vapastor ndovafa
shuwa ,,,,
Pastor vachichemawo pachirume ndokuti
(Pastor)*Mai Anitha usacheme mukadzi wangu zvowanika Master vaita kuda kwavo zvisinei
vachatipa vamwe..
(Mai Anitha)* yooohwe mai kani yooohwe mama vangu kandi ,,imi Baba Anitha nyararai apa
hamuna chamunotaura apa Master Master vekudi koo ikozvino vana vafa shuwa vari 2 pabhazi rine
Vanhu 30 makazvionepi izvozvi ,Baba imi ka mune zvamaita pavana ava muchaona zvenyu kuti
vangu vana havarovi sechikwereti muzita rajeso muchademba henyu,,
(Pastor)* mai Anita shuwa unoti ndingauraye vana vandakabereka here ,manje zvawabva masikati
uchingochema ikozvino patova pakati peusiku dai wango nyarara tigoradzika vana vedu
zvakanaka,,
(Mai Anita)* maaaai kani Anitha huya kandi ,kubereka korwadza 9 months ...Mai kandi Mai kandi
huyai,,,,,,((Pastor moyo wavo unotanga kugwadza vachifunga vana vavo shuwa kuti Chitenderano
chavanga vakaitirana naMaster ndechekuti paifanira kufa 28 posara 2 but nemhaka yei Pafa Anitha
na Ashanti vamwe vese vakararama ...
Pastor vanobva vaita hasha ndokusumuka ndokunanga kutoilet ,ndokusviko Tora Glass ravo riye
zvehasha ndokuti (MASTER MASTER KWECHU MHANI)
MASTER vanobva vabudikira paGlass riya ndokuti *
(Master )* Taura tihwe
(Pastor)* iwe Master why wauraya vana vangu ndizvo ,zvataka wirirana here izvozvo
(Master)* pandasvika pabhazi ndangosvika ndakarikutura neniwo ndashamisika sei pafa vako Vega
ini ndanga ndichida kuuraya bhazi rose, but zvisinei nyama inyama,,,Nyama yaMax neye vana vako
mangwana manheru ndiyo yatichange tichidya hedu paGathering Mangwana Manheru sezvo
iriBIG MONDAY yedu..
(Pastor)* I can't take this anymore mauraya vana vangu apa .ndikugwadziwa ikozvino kuchema
kukuita mukadzi wangu kokufadzai I can't take it anylonger
(Master)* you knw the Rules once you get in our club the only yekuti ubude kuzviuraya as long as
urimupenyu hamubudike ,Tarira Max uone aedza kuda kutiza but tazomuuraya asina kwaasvika,
mangwana uuye wakarodza mazino tidye nyama yevana vako neya Max pamwe neyaMai Max
(Pastor)* Arrrrrr Max afa , Max haasisipo Arrrrr ....Master vaya vanobva vanyangarika,,,
Pastor vanobva vaenda kumukadzi wavo vachinetseka kuti Max naMai vake vatouraiwa but
pachokwadi chawakabara chorwadza akomana ,,Mai Anitha husiku uhu hwakapera vachingo chema
,,,Pastor vanga vasisinawo zvekuita than kungo chemawo sezvo vairwadziwa..

Ava Makuseni Morris achinetseka kuti koMama zvavakabuda vachiti vakuenda kwaMax korwisa
chikwambo Havana kudzoka wani ,
Morris anobva azofunga ndokuti * hoo ,kkkkkkkk ndakazviziva kuti Mama nekuda kwavanoita
Max vakatosvika ikoko vakanyengedzewa naMax kkkkk ikozvino kuno vaifanira kudzoka zuro but
nemari dzaMax dzavakanoona ikoko vakabva vatokangamwa zvese kkkkk haaa kamai kaya kuda
zvinhu ,zvisinei regai zvigare ikoko nemwana wacho wekuroora chikwambo iyeye kkkkkk haa
nhamo neman'a hazvisiyane ,Rega ndipedzise kuwacha hembe dzangu ini ndingato wonde nekuda
kwevanhu vakuru vanozviitisa nxxx,,
Morris anobva atanga kuwacha hembe dzake aripakati pekuwacha anoona madzima 5 aya akaenda
naMai vake kwaMax achisvika apa ,But Morris chakamunetsa ndechekuti kovadzoka vasina Mai
vake sei,, but akangoti haaa mai zvagara nekuda kwavo zvinhu varikwaMax ikoko ,,rega tihwe
vakudei vakadzi avo ,,
Vakadzi vaya vanobva vasvika pana Morris ndokutanga kuchema vese ,Morris zvakamunetsa kuti
kasi varikushura here vakadzi ava ,,,,, ..Morris ndokuti imi vabereki kwakanaka here ,,, Umwe
wevakadzi ava anonzi Magumbo ndiye akatanga kutsanangura
(Morris)* sorry zvako tauya kuzongokuudza nyaya inosiririsa ,paya patakabuda namai vako zuro
vatikumbira tivaperekedze kwamukoma wako ,,,Takaenda navo tikasvika ndokubva tatanga
kunamata tichitenderera imba yose ,zvisinei Takazopinda mune imwe Room ndobva taona
muneziNyoka reBlack ,,takabva tatiza tese but mai vako vakasara vachida kurigwisa ,but Zinyoka
rakavakurira ndokubva ravauraya ,kutaura kuno Mai hauchina vakaurawa nezvikwambo
zvamukoma wako ... Morris kungohwa izvi ndokutanga kuchema achiti*
(Morris)* maiiiii kani maiii kani dzokai kani mhai mhai kani ,,,,,Morris anobva asumuka
ndokupinda mumba ndokubuda akabata demo ndokuti * izvezvi akunondiona Max iyeye shuwa
angaurayise Mai vangu ,nhasi zvake zvekuti ndimukoma tonopedzerana ndakutoendako izvezvi soo
,,
(Magumbo)* Morris mwanangu hakuna kwauchaenda kunogwa naMax yatove too late Max wacho
akabva auraiwa nenyoka yacho iyoyo yekuuraya Mai vako ,kureva kuti Chikwambo chacho chaive
chagumbuka pamwe ,,saka ukuendera mhepo Dai taona hurongwa hwekuhochengeta mubereki
namukoma wako ,,,,,,,Morris anobva atanga kuchema achichema hama dzake
,Vabereki VaMai Max shoko vakarihwa vakati vacharadzika mwana wavo pamwe nemuzukuru
wavo but wese akakonzera izvi may God punish him...

Mai Ticha vamuka kudhara vapedza kubika zvese ,ndokugezesa vana vavo vaviri Bhule
naTicha.,vapedza ipapo ndokutora best hembe dzavo dzavanopfeka pama best occasion ,ndokubva
vadziisa muHandbag mavo ,ndokutora towel nesipo ndokuisa muhandbag mavo ,vapedza ndobva
vabikira Rutendo sadza nebeef ndokuisa muDheka ravo ,vapedza ipapo ndokubva vatanga
vanamata kuti mwari ndikukumbirawo kuti kwandikusvika kunaRutendo ,ndikuda kuwana maita
zvishamiso ishe wangu ,,,Ndokubva vapinda mumota yavo ndokuenda kuHospital ,vachisvika
ndokuenda kuward yaRutendo ,vachisvika imomo vakatowana Rutendo achitotaura naNurse
vachiita Nyaya vachitoita chikwee zvavo ..Uku Nurse vachitsanagurira Rutendo mauyiro aakaita
zuro ,sezvo akauya ari ziiii asina kana chaiziva ,,,
Rutendo anga achitotaura nemaNurse vachiita nyaya chaizvo vachiseka...
Mai Ticha pavanoona izvi vanobva vati thank u God moyo unobva wafara ,vanobva vamhanya
ndokuno mbundirana naRutendo vachifara ,,,,
(Rutendo)* Sister i am so sorry musi uya wandakaku dzingai mumba mangu pliz forgive me
,ndaisaziva munerudo zvakadai
(Mai Ticha)* Haisi nyaya sisi zvakawanda totaura tava kumba ,,,Ndakuvigirai hembe idzi chigezai
mupfeke idzi ,,,Rutendo ndokugachira hembe dziya asati aenda kuno geza ndokuvhunza kuti Bhule
anga asinganetsi here ???
(Mai Ticha)* kana mbobvira achema mufunge mwana wenyu anodadisa ...
Rutendo anobva anyemwerera ndokunogeza ,apedza ndokudzoka ,,,
(Nurse)* haaa Rutendo pane mumwe munhu wawakafanana naye so?
(Rutendo)* upi nhai nurse
(Nurse)* pane vamwe baba P.Manager wekuFIDELITY vakafanana newe but right now vakaenda
kuDubai mune ukama here?
(Rutendo)* hwongu ndiBaba vangu ,,,,,,,Nurse naMai Ticha vanobva vabata muromo panguva
imwe chete kuratidza kushamisika ,,,,zvisinei Mai Ticha vanobva vanobhadhara maBills aRutendo
ndokuenda naye kumba kwavo ,uku Rutendo akabata Bhule wake achitamba naye achiti hona
Mama Ticha vako avo,,,uku vari mumota kuenda kwaMai Ticha,,

Brian kumba kwake anga atova free ,pasisina zvaimunetsa manje ,Marii yaiita kuuya semvura
ichiuya naMarry ,,Apa zuva iri ndozuva raiva negathering manheru kuBrothers of Darkness yaaiva
akapinda ,,,,Brian anobva aenda kuroom yezvikwambo zvake achida kunoona kuti zvauya neimwe
mari here ,
Zvisinei Brian ndokupinda akawana kaMarry kachifara kamuvigira imwe mari kachifara kuti
akadzinga Rutendo ,,,Chikwambo Marry Chinobva chati kuna Brain
(Chikwambo Marry)* Brian ndakuvigira mazimari aya tora ,,,
(Brian)* waita basa mukadzi wangu shuwa unondivigira mari Daily
(Chikwambo Marry)* ok but pane munhu 1 uyu ndiye akafumura madhiri ese kunaRutendo ,Nhasi
manheru ndikuda kunomupedzisa becuse ndakambomubaya nebanga paroko munhu iyeye
ndakamukuta but nhasi haaponi
(Brian)* ndiyani munhu iyeye nhai Marry
(Chikwambo Marry)* uchangomuona nekumuka akafa woziva kuti ndiye uye ndini ndendamuuraya
(Brian)*ok Marry handimuzivi ndiani saka ita yaunoita ini ndakumbobuda ,,,Brian agara musitting
room akumboona TV ,anobva ahwa phone yeke ichiringer ,anobva atarira ndokuona yakanzi
incoming call from Baba Rutendo *

END OF CHAPTER 13

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 14

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

Brian agara musitting room akumboona TV Chanel ye (NatGeo wild), achiona mhuka zvake
,anobva ahwa phone ichiringer .anobva atarira ndokuona yakanzi +incoming call+ from Baba
Rutendo **Brian anombo funga kaviri kuti mudhara uyu ndomuti chiii shuwa iye Rutendo
ndakamudzinga pano uye nema rovero andakamuita aya kuti mupenyu here uya ,because dai
arimupenyu dai akadzoka ummm pakaipa .Brian anobva afunga zano ndokudavira call iya
(Brian)* hallo makadi
(Baba Rutendo)* zviri sei mukwasha wangu ,
(Brian)* zviri bho
(Baba Rutendo)* arisei Mudzimai wako neMuzukuru wangu Bhule ,..
Brian paanohwa kuti Baba ava vakuvhunza izvi ,anobva adroper phone ndokubva atoidzima ,,,
Baba Rutendo vakanetseka kuti sei Brian akata phone ,pavangotaura nyaya yaRutendo
Brian ndokutanga kutaura ari ega achiti nxxxx kamudhara aka kanoda kundiwedzera mastress
,ndezvako nemwana wako hure rekupedzisira chairo , Hure remubhawa rakange nani pana
Rutendo . shuwa ivo Baba vemwana chakavapa kutiza mwana wavo Rutendo vaifunga kuti ini ndini
ndaizoda kugara naye kusvika rinhi nxxx.
Brian anobva aenderera nekuona Chanel yake , ave pakati pekuona TV anobva azopepuka kuti dhuu
ndokuona kuti Baba vaRutendo vaizoda kuphona pana Rutendo saka Rutendo zvaireva aizova udza
zvese ,
Brian anobva atanga kunetseka zvisinei panguva iyoyo anobva atarira paDisplay yemumba make
ndokuona phone yaRutendo iripo yakato bairigwa pachager kureva kuti Phone yakasara ,anobva
afara Brian achiti zvangu zvaita ,
Brian anobva anotora phone iyayaRutendo ndokubvisa line raRutendo ndobva arikandira
kwakadero ,phone ndobva angoikanda pasofa ,
Brian ndokubva aenderera mberi hake nekuona Chanel yake yaanofarira uku achimwirira
kaDrink**

Mai Ticha mufunge ndinokuku mbiraiwo ruregerero sisi vangu nezvandakakuitai zuva riya panda
kakudzingai mumba mangu .Ndaisaziva muneRudo rwakadai shuwa mugarire kure nemoto...uyu
ndiRetendo aitaura ,
(Mai Ticha)* haaa hapana chakaipa nekuti mwari vanoti tese tiri vatadzi uye hatifanire kuchengeta
zvivi mumoyo yedu ,ufunge ndaka tokuregerera musi uya chaiwo mumoyo mangu zvakatopera kare
,
(Rutendo )* shuwa ndakatadza ndaisaziva kuti muneRudo ,makandinhonga shuwa makandibatsira
hapana kana aizondiyeuka dai musirimi makandibatsira,
(Mai Ticha)* hapana chakashata tichagara tese hedu pano tiri vaviri ,saka chi chakaitika pakati pako
nemurume wako nekuti Gatemen wenyu haana kunatso tsanangura nekuti aitogwadziwa
nezvawakaitiwa nemurume wako ,plus kwainaya neni ndanga ndakumhanya mhanya kuti
ndichinokutsvaga ,saka chimbo nditsanangurira kuti zvaka famba sei
(Rutendo)* murume wangu akandirova sendichafa ,, sister hazvitaurike zvirimumba maBrian ,
shuwa Brian anga ndirove zvakadaro ini shuwa
Rutendo anobva atanga kuchema .
(Mai Ticha)*usacheme taurirawo sisi vako pamwe ndingabatsirawo pane zvimwe.
Rutendo anobva audza Mai Ticha nyaya yose kutanga kwazvo. Uyu kuzoonekwa kwazvaiitiwa
naTanaka ,
(Mai Ticha)* aaaa unorevesa Brother Brian chaivo veku Church ndivo vanezvikwambo vaya ...uye
ungade kuuraya mukadzi pamusana pezvikwambo may God teach he a lesson that he will never
forget in his life ,
(Rutendo)* shuwa idzodzo sister ..Brian ndaimutemba murume wangu uye murume wangu
ndomuda zvekuti muhupenyu hwangu handisati ndambo gumiwa neumwe murume kunze kwake
,But ndiye akazondi pandukira zvakadai inini shuwa .rega Mathias Mhere akaimba shuwa kuti
wandakapa moyo ndiye akandiramba)
(Rutendo anowedzera kubuda misodzi)
(Mai Ticha)* Rutendo usacheme hona mwana wako akatarisa uchichema hauzive here kuti uno
muomesera kunyango ari mudiki hake but kuchema kwaMai anokunzwa uye haafari nako .
(Rutendo)* zvorwadza sisi shuwa kubatiwa sechikorobho nemunhu akandiwana ndiri mhandara
(Mai Ticha)* Rutendo unoziva urimusikana akanaka uye uripedyo namwari dai waiti paunowana
nguva wombozvitarira pamiroor uone kunaka kwawakaita am sure kupera kwegore rino unenge
wawana umwe chaiye anokuda chaiko
(Rutendo)* moziva Brian anga akomboregwa namwari kuwana mukadzi akaita seni .
(Mai Ticha)* ndo zvazvinoita muhupenyu kana waka mbowa song yekuti (kukosha kwechikorobho
warasa mvura)* Song iya hainyepi Brian achazoona kukosha kwako nguva yapera ,zvisinei ndoku
tenda nekuponesa kwawakaita mwana wangu shuwa anga andisiya Ticha
(Rutendo)* moto tenda mwari sisi nekuti ndiye anoita basa rake
(Mai Ticha)* ko ndakakuudza nyaya yeRufu kwaPastor hantie
(Rutendo)* hwongu makanditaurira saka mati toenda nguvai .....
(Rutendo naMai Ticha vapedza kutaurirana nguva dzekuenda, vanobva vanogeza vakugadzirira
kuenda kunhamo kumba kwaPastor**

Mai Rutendo ndambofonera mukwasha wako nhasi makuseni..ava ndiBaba Rutendo vaitaura
nemukadzi wavo*
(Mai Rutendo )* mamufonera shuwa mukwasha wangu uya ndamusuwa .mataura naye ati chii
(Baba Rutendo)* ndamumhoresa akapindura but panda taura nezvaRutendo phone yabva yaCuter
ndabva ndomboedza kufona futi but yanga yakutoti (unreachable) kureva yanga yatodzima saka
handichazivi kuti kuri ryt here?
(Mai Rutendo)* arrr baba mongoziva magetsi ekuZimbabwe ,hazvishamisi pamwe kwatove
nenguva kusina magetsi zvekuti phone hadzina moto because yaRutendo ikutorambawo ,because
ndatova ne2 hours ndichiizama but ikurambawo
(Baba Rutendo)* pamwe hadzina moto tichazo zama kuva fonera mangwana hedu
(Mai Rutendo)* mufunge baba paya mwari akatipa mukwasha chaiye pakutipa Brian ,ende Brian
anochengeta mwana wedu makaona mazuva aya kusimba kwaanga aita tirikuZim ,kuzoti
patodzokera towana Rutendo akutoputika nekusimba ,Brian ndomutenda zvikuru .
(Baba Rutendo)* haha taura hako but pachokwadi moyo wangu ukuti something wrong ,hameno
pamwe kunanyo funga mwana wangu but zvisinei enda unonditorerawo news paper rangu
ndiverenge .....Mai Rutendo ndokusumuka kunotora News paper racho.

Mai Ticha naRutendo vapedza kugeza vanobva vatora vana vavo Blessing naTichaona
ndokunovaisa mumota ,Musi uyu Rutendo naMai Ticha vanga vakapfeka maTop eblack nemaskirt
ebkack zvakanaka zvinhu zvacho zvemhando ,ko mai Ticha mukadzi aiva nezvinhu zvake sezvo
vaitumigwa mari nehadzvanzi dzavo dzaiva kuUSA. Zvisinei Mai Ticha naRutendo vapedza
kupfeka zvinhu izvi ,Mai Ticha naRutendo ndokubva vapfeka madhuku avo eblack .ndokunopinda
mu(Toyota Nadia ) yaMai Ticha,, Mai Ticha ndobva vagara pasteering ndokutanga kutyaira mota
yavo vachiita nyaya nabururu wavo vakananga kurufu , Pakarepo vari muroad Ticha anobva atanga
kuchema anga oda mukaka nekuti anga asina kudya nemhaka yekuti anga akarara ,
Saka Mai Ticha pavanowa Ticha achichema vanobva vangoziva kuti avanenzara vanobva vamisa
mota yavo paside peroad ndokuisa maharzads ,ndokuti Rutendo ndipowo 5 minutes ndimbomwisa
Ticha mukaka kana ndapedza toenderera nerwendo ,, Rutendo ndokuti* haaa haisi nyaya imi
chiuyai mugare kuno muchimwisa Ticha ini ndityaire mota ,,
Mai Ticha vanobva vayeuka kuti gara kwaBrian kune danga remota uye Rutendo aiva neyake saka
vakabva vaziva kuti kutyaira Rutendo ishasha ..zvisinei vanoita sekudaro ndokunogara
kunaRutendo vachichinjana Rutendo akupinda paSteering ,,Rutendo anobva asumudza mota
ndokutsika mafuta vakananga kuChicago kumba kwaPastor kunova kwaiitigwa rufu rwaAnitha
naAshanti ....vari muroad vanoona mberi kune mapurisa eRoad traffic ,but mapurisa aya akavasiya
vachienda haana kana Kuvamisa because vanhu ava vaifamba namwari wavo

Rutendo naMai Ticha vachisvika parufu apa Rutendo anobva asvika ndokupaker mota pashure
pedzimwe mota ,dzemadzimhando dziya dzekunzi Max1,2 neMax 4 dzaivapo dzakapaker ipapo futi
idzo dziya dzaMax ..Rutendo achifamba ana Mai Ticha vakuenda kunogara kwanga kwakagarawo
vamwe vakadzi vemuchurch ,,,Vasati vasvika Rutendo anotarira kuGate ndokuona mota yaBrian
achisvika kureva kuti Brian anga auyawo kurufu ,,Rutendo hana inobva yatanga kuRova anobva
afamba ndokunogara pakati pevakadzi. vemuchurch vaya ndokutanga kutovamba nziyo vachiimba ,
Rutendo akaramba akatarisa kuburuka kwaBrian mumota akaona Brian achiburuka mumota ane
mumwe musikana akanaka naka so vakatobatana maoko kureva kuti pamwe chimoko or mukadzi
wake
Rutendo achiona izvi moyo wake wakagwadza akada kumbosumuka kuenda kunogwisa Brian but
Mai Ticha vakamubata vakati Rutendo usada kuzvibvisa panamwari ,Brian musiye aite zvaanoita
inguva zvinopera ,Rutendo anoterera ndokugara pasi..
Rutendo naMai Ticha vanotarira kuvakadzi 6 vaibika pamoto ndokuwa vakadzi vaya vari pakati
pekupisa makuhwa vachiti *( arrr hamuzivi kuti kaPastor ikaka kakachekeresa vana kuSaturnist
kachiitira kuti kawane masimba ekuita minana muchurch mavo muya ,,,....umwewo achiti * izvozvo
zvega here sahwira hanzi kana Brother Brian vamunoona vakamira apo naPastor hanzi naivo futi
varikufanira kutouraya mwana wavowo nekuti hanzi kukudiwa ropa kusurtanist kwavo ikoko
kutaura kuno hanzi vakatotiziwa nemukadzi,,,,..umwe ndokuti Gore rino zveshuwa tichadzidza
zvakawanda isu vana Mai Sheri totongovinga chikafu kumariro chete zvekuromba kwavo ndezvavo
izvo))
Rutendo naMai Ticha vanotarisana ndokudzungudza misoro vese ,,zvisinei vapedza kuimba
..kwanga kwakuvira Rutendo naMai Ticha vanobva vasumuka ndokuudza vamwe vechurch kuti
takumboenda ,,,Mai Ticha vanobva vati kuna Rutendo motombo driver asikana ndakaneta
,,,,,Rutendo akangobvuma hake but Rutendo misodzi yaiva pamaTama kuti murume wangu Brian
atozoshinga here ,,,Zvisinei Rutendo anobva apinda paSteering ndokudriver vakudzokera ...
Brian anocheuka achitarira kuti mota ikuita reverse apo ndeipi ndokuona iNadia ,,ko munhu
aakudriver zvaanenge Rutendo wani but Rutendo anoiwanepi mota akatofa kare uya,,Brian anobva
aeenderera mberi vachitaura nyaya dzavo naPastor dzekugathering manheru ,,,But pastor nyaya
vaitaura naBrian havo but moyo wavo waigwadza nekuda kwekuchema kwaiita mukadzi wavo uye
nekurasikigwa nevana...

Ava manheru Brian arikumba kwake ,anobva aona kuti nguva dzakwana Brian ndokumuka
ndokunotora mucheka wake uya wakanzi 666. Team yaMaster ,Brian anobva apfeka mucheka uya
ndokubuda nemota ndokusiya akira Tanaka mukati magate ,Brian anobva arova road nemota yake
akananga kuRwizi ,,
uku Tanaka anobva apepuka ndokutarisa nepawindow pake ndokuona mota yaBrian haipo
yabuda ,,anobva ati chance given achida kutiza ndokubva aenda pagate ndokuona Gate rakiwa
nekunze hapabudike zvekumhanya ,anobva ati zvitori nani ndidzokere kunorara hangu ,,,Tanaka
adzokera kunorara anobva adzima light ndokukotsira ,,,,,
Tanaka anobva atanga kurota kachikwambo Marry kachiseka kachiti nhasi wamama topedzerana
tega munhu waunotemba naye Takamudzinga pano wasara wega manje chiDrawer face yangu tione
kkkkkkk , kachikwambo Marry Kanobva kaburitsa Zibanga ,ndobva kanatso koka Simba rese
ndobva kaBaya Tanaka pamoyo chaipo *

END OF CHAPTER 14

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 15

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

Tanaka anobva atanga kurota kachikwambo Marry kachiseka kachiti kwaari ** nhasi wamama
topedzerana tega munhu waunotemba naye Takamudzinga pano wasara wega manje ChiDrawer
face yangu tione kkk,kachikwambo Marry kanobva kaburitsa Zibanga ,ndobva kanatso koka Simba
rese ndobva kabaya Tanaka pamoyo chaipo ,,,
Tanaka nguva iyi anopepuka ndokuona kachikwambo Marry kari pamusoro pake karibusy
kutsimbidzira Banga kuti ripinde rese munyama yake ,,,
Tanaka anobva achikanda kwakadero chikwambo ndobva asumuka ndokubuda mumba umu
ndokumhanya ndokunomira paduze neGarden uku akubuda ropa pachifuva pake paanga abaiwa
neChikwambo chiya..
Brian achisvika parwizi paya ndokubva ati (MASTER MASTER KWECHU)* ndobva abudikira
atova mukati meRwizi muya ,,,anohwa mukati umu muchifariwa haikona vachipemberera vamwe
vake ,., Brian ndokutatisa kumoto ndokuona kuneNyama yakasasikwa kumoto Nyama yevanhu
chaiyo yaitogochewa naMaster ..Brain haana kunyanyo ita basa nazvo anobva aenda ndokunomira
pane vamwe vake ,,,,Master ndokutanga kutaura vachiti*
(MASTER)* NHASI TIKUPEMBERERA ZUVA HURU REDU REBROTHERS OF DARKNESS,
NYAMA YAMUKUONA IYO INYAMA YEVANA VAPASTOR .IYO INENGE YAKATI KUREI
INYAMA YEUMWE WENYU MAX AKAURAIWA NERUVA RAKE AKUDA KUYEDZA
KUTIZA SAKA TESE TICHADYA NYAMA IYI TICHIMWA ROPA RAVO
TICHIPEMBERERA ....
BRIAN ZVAKAMUNETSA KUTI KUDYA NYAMA YEMUNHU INGA ZVAKAOMA ,,BRIAN
NDOKUTARIRA NDOKUONA PASTOR VAKUTOUYA NEMAPEACE ENYAMA
VACHIFAMBA VACHIPA VANHU ,VANHU VESE VACHINHONGA MAPEACE 1 BY 1
VACHITODYA VACHIRATIDZA KUTI ZVIKUNAKA ,PASTOR VANOBVA VASVIKA PANA
BRIAN NDOKUBVA VAMUSVITSA ZIPEACE ,BRIAN AKADA KURAMBA KUTI
HANDINGADYE NYAMA YEVANHU BUT AKAKURUMIDZA KUFUNGA KUTI KANA
NDARAMBA KUDYA NYAMA IYI NDENGE NDATYORA MITEMO YAMASTER ,BRIAN
ANOBVA ANONGAWO RAKE ZIPEACE NDOKUTANGA KUTORIDYA ...Vese vakadya nyama
iyi kusvika yapera vari pasi pemvura ,,vapedza gathering yavo Brian ndokubuda oenda kumba
kwake ,,anobuda mumvura muya ndokunopinda mumota yake akananga kumba kwake ,,,achisvika
kumba kwake ndokukinura gate ndokurivhura ,time yaanoti aripakati pekupinza mota ,,Tanaka
anobva auya aribara ndokubuda pagate arispeed kutiza pamba apa akananga kumba kwavo ..Brian
paakaona izvi akada kumbozama kumisa Tanaka but Tanaka hapana kana chaakaterera ,, Zvisinei
Brian anobva ati haisi nyaya tomusota anobva avhara gate rake ndokuenda mumba make
ndokunorara

Tanaka achimhanya usiku uhu akananga kumba kwavo ,nekwaigara Brian kusvika kumba kwavo
paitova nemufambo but mukomana akashingirira ,aimboedza kukumbira rubatsiro kune vemotokari
but moziva mega kuti mazuvano haumiriri munhu wausi ngazive manheru because nedzimwe
nguva unomirira matsotsi ukazoona kuti hauna kuchenjera ,uku hembe yake yese yanga yangova
ropa ,because raibuda paya paanga abaiwa naMarry ..Tanaka achisvika kumba kwavo anobva asvika
ndokuvhura door ndokusvika achiwira pasi ndokurara ipapo achifemereka ,,
BABA TANAKA ,BABA TANAKA IMI. VABANDA KANDI IMI MHANI MUKAI MUKAI*
pane chinhu chapinda mumba muno ,,ava ndiMai Tanaka vaitaura ,,,,Baba Tanaka ndokuti hapana
chinhu chambopinda muno adzimai kasi makoshiwa kuti makonzo emuno anenge munhu shuwa
ndozva mungandi mutsire usiku uno izvozvo moita senge matanga kugara muno nhasi ,shuwa
mungaite semusinga zivi makonzo emumba muno,,,Mai Tanaka ndokuti * aiwa baba harisi gonzo
pamwe imombe chaiyo ,,,Baba Tanaka vanobva vamuka ndokutora touch yavo ndokusumuka
vachinotarira chiiii ,pavanono tocha vanoona mwana wavo aripasi achifemera pamusoro uku
achibuda Ropa ,,Mai Tanaka pavanoona izvi vanotanga kuchema vachiti mwana wangu ,,,Baba
Tanaka sevanhu verudzi vaiiziva mishonga ,vanobva vatouya nemafuta egwai ndokudira paive
pakuvara Tanaka ,,Pasina chinguva Tanaka anochitanga kufemera pasi ,akufema zvakanaka ,nyango
paanga abaiwa panga pakugwadza zvirinani ,,,Husiku uyu Vabereki havana kutozorara
vakumbotarisa mwana wavo .uye vakamirira kuti kuyedze kana kwayedza votsanangurirwa kuti
zvakafamba sei***

Ava makuseni Rutendo anomuka ndokutanga kutsvaira mumba ,,,Mai Ticha vanobva vatanga
kubetsera umwe wavo vachibika nepaside ,Rutendo apedza anobva agara pasi ndokutanga
kuchifunga kuti Tanaka zvaakasara kumba kuya achapona here ,shuwa agofira isiri yake here ,ko
Brian murume wangu shuwa mwari murume wangu Brian ndichiri kumuda nekuti zvaariye Baba
VaBlessing shuwa mwari pindirai **
SISTER RUTENDO SISTER RUTENDO * chii chikombo kunetsa makuseni ano nekuti
ndikunatsoona kuti pfungwa dzako shuwa hadzisi panhu one taura neni tibatsirane* ava NdiMai
Ticha vaitaura *
(Rutendo)* kutaura chokwadi Mai Ticha murume wangu akaita zvaakandiita but mumoyo mangu
Brian ndomuda zvezvikwambo zvake haisi nyaya mwari vano pindira ndikungoda normal life
yangu yandairarama naBrian shuwa
(Mai Ticha)* Rutendo ndopa wakuita error ipapo do you know kuti ndakakuwana uri paextent
yekuti waigona kungofa ,
(Rutendo)* ehe ndiri kuyeuka hangu
(Mai Ticha)* ndiani aiva akonzeresa kuti ukuvare ude kuita kafira mberi???
(Rutendo)* ndiBrian aiva andi ponda?
(Mai Ticha)* saka chikunetsa pauri chiiii iwe kuramba uchida munhu akadaro unomboziva kuti
ukaona murume achikurova zvakadaro kureva kuti anogona kungo kuuraya saka zvimwe zvinhu
zvodawo kufunga
(Rutendo)* ndazviwa hangu sisi but murume wangu Brian ndomuda nemoyo wangu wese shuwa
..zvaakaita zviya ndaka tomuregerera kare
(Mai Ticha)* iwe chinamata kunamwari kuti kana ari wako achadzoka kwauri Brian wacho but
kana asiri wako mwari vano kupa umwe chaiye,, unoziva ndakadanana nemurume anonzi Daniel
last year ndichango pedza kuita course yangu paKwekwe Polly ,Daniel uyu asati andinyenga
ndaigara ndichi muchiva ndichingoti baba ava vari handsome sure ,,mazuva aya aigara achiuya
kuzodroper mai vake nemota pacollage because mai vake ndiTeacher ,Then 1 day murume uyu
ndakazoona auya ega kwandiri ndokundinyenga takadanana zvekudanana zviya kusvika ndaperera
kuita week zvekuti ndakasvika pakuzomupa muviri wangu ,kusvika azosvika paku ndinyengedza
ndokundibvisa humhandara akandipa pamuviri. Mazuva anda kamutaurira kuti ndava nepamuviri
akabva andiramba akati pamuviri hapasi pake uye akati ndine mukadzi wangu , murume iyeye
ndiye Baba vaTicha uyo and kubva musi waakandiramba ndakabva ndangozvipa kunamwari kuti
vaite kubata kwavo ,tarira ikozvino uone vana Budhi vangu vari kuU.S.A varikunditumira mari
ndikurarama wani ,zvaDaniel ndakato kangamwa ,ende kubva musi wandakasiwa naDaniel handina
kuzomborara nemurume futi ..saka inini chandikukudza kuti just be you usanyanyo manikidza
munhu ndoziva kuti zvikwambo zvinopanduka one day uchazondiudza hako..saka iwe just be you
usamanikidza Brian musiye akadaro because zvese zvaakuita arikupiwa mitemo nezvikwambo
zvake
(Rutendo)* maita basa sisi mandipa mashoko anovaka shuwa shoko ndariwa ndagamuchira..Vaviri
ava ndokuenderera mberi vachidzidzisana hupenyu but pachokwadi Rutendo pfungwa dzairamba
dzichingoti Brian ..

Nhai Tanaka mwana wangu sure Kubva zuro madeko hausati wambo taura kana kuti bufu zvako but
apa uri busy kungo nyemwerera ,taurawo neni ndikukuvhunza kuti
(Mai Tanaka)* chiiii chakaitika kwawakabva wakakuvara zuro pindura chiiii
(Tanaka)* ziiiiii
(Mai Tanaka)* iwe hausi kuhwa ndikutaura newe here ,ndini mai vako
(Tanaka)* ziiiii
(Mai Tanaka)* ende zvakaoma kutadza kutaura izwi rimwe chete zvaro
(Tanaka)* ziiiiii
(Baba Tanaka)* mwana uyu atova nepfungwa one yakashota hamu zvioni here adzimai ,ndikosaka
ndairamba aende koshanda kuvanhu vakaita sevaya ikozvino tarira uone mwana chava chiyelele .
(Mai Tanaka)* zveshuwa Baba mwana haachina imwe pfungwa uyu saka todi manje
..PANGUVA IYI VABEREKI VANO PERERWA NDOBVA BABA VATANAKA VABATA
MUSORO VACHIDZUNGUDZA KURATIDZA KUPERWA UKU VACHITI NHAMO HAIBVI
PANE IMWE ..NGUVA IYOYO TANAKA NDIPO PAANO ITA SHURA NDOBVA ATI*
Tanaka)* marry
(Tanaka)* peter
(Baba Tanaka)* ihwai zvaakutaura haachato zivi tisu vanani akutoti iwe ndiwe Marry ini ndini Peter
inga zvakaoma mwana kukangamwa vabereki ?
(Mai Tanaka)* imi vaBanda muri murume imi tsvagai zvekuti tiite pamwana uyu nguva ichiripo
,kana muchiri kuyeuka Tapiwa uya wekwa Mai juma kuti akatanga achiita zvikuita Tanaka izvi
mhedzisiro aka tozoguma otodya mumabhini,
(Baba Tanaka)* saka zvotoreva kuti kwaakabva kwacho vanhu vakamubaya vakabva vamugadzira
kuti apuse asazo kwanise kutaura nyaya yacho yezvakaitika ,manje ini ( ndine A Banda akamvera
from Zambia mukuru waGure zikuvave pashuwa ) munhu akazvikonzera hariviri ndisina kumuziva
and ndichapedzerana naye full stop.

,Papera mazuva akati kuti ,Morris zvake akagara kumba kwavo achifunga nezva Mai vake sezvo
vaive vaka tovafushira kare ,uye achiyeuka mashoko akataugwa nasekuru vake baba vamai vake
musi wekuradzika mai vake vakati ** angava ani akaurayisa mwana wangu nemuzukuru wangu
ndomunamatira kuna mwari kuti ago chemawo sokuchema nekugwadziwa kwandaitawo...
But Morris chaimugwadza ndechekuti pana Max vakango chema munhu zvavo ndokunoviga ivhu
sezvo paiva pashaikwa mutumbi wake. Mapurisa aya e investigation department aka mboyedza
nepaaono kwanisa kutsvaga kuti mutumbi waMax wakafamba sei but vakashaya kusvikira vato
zotaura kuhama dzemufi kuti ngadziite zviripo ,
Ko Mutumbi waMax vaigo uwana kuti Iwo waiva watogwa naMaster ,,Morris anobva ayeuka
mumwe murume aiisi wanzo uya pamba paMax murume uyu anotovawo nemazimari kureva kuti
murume uyu anechekuita namukoma wangu asi kana asina chekuita navo anoziva kuti zvakafamba
sei ,but zvisinei ndichamuona hangu mwari vachandipa Simba .

Mai Ticha nhasi ndoda kumbo pinda mutown ndoda kumbo enda kuecconet kunoita replacement
yesim card rangu ,ndozotsvaga phone because ndine feeling yekuti vabereki vangu vari kutryer
kuphona zvichiramba saka regai ndisvike mutown ndinoita Replacement ndiwane line rangu
back ,uyu ndiRutendo aitaura naMai Ticha ,Mai Ticha ndokuti***
(Mai Ticha)* hapana chakashata tora hako mota uende zvagara uchatofamba zvakanaka because
mwari anokuchengeta but unosiya Bhule osara achitamba naTicha ndokuti Ticha asasare
achindinetsa
Rutendo ndokuti* zvakanakai regai ndibude anosiya mwana Rutendo ndoku nopinda mumota
akananga kutown anosvika kune Line but luck shamwari yake yaakakura nayo ndoyayiri paduty
,inobva yamudana ndokubva aita replacement yake apedza akubuda muecconet shop iyi ..anobva
aona murume aibuda Mubank rePost office ndokuona ndiBrian aitova nekamusikana kaye
kaakamboona anako kumariro ,,
Rutendo anobva aita hasha ,ndokuti mwari ndiregerereiwo pane zvanda kuda kuita nguva ino
Amen, Rutendo ndokubva aendako kwavari akasunga chiso

END OF CHAPTER 15

--------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 16

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

Rutendo anobva aita hasha ,ndokuti mwari ndiregerereiwo pane zvanda kuda kuita nguva ino Amen
,Rutendo ndokubva aendako kwavari akasunga chiso ,anofambisa ndokusvika achimira mberi kwa
Brian naChipo .. Uku akatobata muchiuno uku achiita kuchuku chudzika nehasha kureva aitonzwa
Ginger ,,
Brian achiona ndiRutendo anorohwa nehana ndobva ati nechemumoyo chabvondoka nhasi ..Uku
kamusika kaiva naBrian kaChipo kanobva kati* sweetheart who is this lady in front of us .
unomuziva here
(Brian)* arrr handimuzivi ini cwty I think i chirikadzi ikuda rubatsiro
(Chipo)* ko why can't you help her tiende ,hausi kuona kuti tikuto nonoka rwendo rwedu here ,
Brian anobva aburitsa 5 dollars ndokupa Rutendo ,,
Rutendo anobva agamuchira mari iya ndokuibvarura bvarura apedza kuibvarura ndokubva atema
Chipo nayo ..Brian anobva abata ruoko rwaChipo ndokuti chirikadzi iyi inenge inotori nengozi so
babe let's change the way hatiende nekuCBZ uko ,
Brian anobva adonza Chipo ndokubva vatanga kudzika neroad yekuCBZ ,, Rutendo nechemumoyo
akati zvekupenga izvo nhasi vano ndiona ,anobva atevera ndokufambisa ndokuno mita mberi
kwavo futi*
(Chipo)* are you crazy you Bitch ,,, Rutendo ndokuti inini Bitch manje hooo ,anobva abata
kasikana kaya ndokutanga kukarova zvakaipa ,achikatsika too bad achibvarura kaTop kaive
kakapfekwa mazamu ese kusara ari panze ,,,Brian anoona chimoko chake chichirohwa anobva aita
hasha ndokuno sumudza Rutendo ndokutanga kurova nezvibhakera ,,,ko vanhu vemazuvano
moziva havatani kuzara panenge paitika zvakadai ,padzvimbo yekuti varandutsire musindo ivo
vanenge vakuto recoder mavideos nekutora mapicture ,, Zvisinei Brian anobata Rutendo maoko
ndokuti kuna Chipo * babe huya umudzoserewo ,Chipo kanobva kanhonga handbag rako
ndokutanga kurova Rutendo naro ,,
Uya musika wemuEcconet shamwari yaRutendo anohwa vanhu vachingoti ndewo ndewo panze
,,anobva abuda achida kunoona kuti chiii ,achisvika kuona ndibururu wake aiiitiwa kanyama
kanyama ,,moyo wake unobva wagwadza anomhanya ipapo ndokudhonza Rutendo ,,Brian naChipo
pavanoona kuti paClean vanobva vatoti better kuenda but Brian asati aenda akasiya ataura shoko
achiti * iwe hure rinonzi Rutendo leave my comfortable life & usafa wakaedza kubata mukadzi
wangu Chipo futi* ndobva vaenda vakanopinda mumota naChipo ndokuenda kwavaienda

Mai Ticha vari kumba vanombo funga kumbo verenga mamassages epaGroup ravaiva vakaAddewa
rainzi ( PaDare reMhizha)* Mai Ticha vachipinda pagroup vanoona pakandiwa mapictures 4 anga
aeditiwa kunzi (murume ndewangu)* mai Ticha vanobva vadownloader vachida kuona kuti vacho
vaigwira murume ndivanani ,Mai Ticha vachimavhura vanoona ndiRutendo akagarira mumwe
musika achiratidza kuti aigwa naye ,vano vhura rimwe futi ndokuona Brian achirova Rutendo. Vano
tarira pachat pacho kuti asendewa nguvai mapics aya ,ndokuona kuti haana kamaseconds
atumigwa .
Mai Ticha vanobva vazarigwa nehasha ndokubva vasiya vana mumba imomo , vanobva vabuda
ndokunokwira macombie vakananga kutown kwaive kwaiitika izvi
NHAI RUTENDO NYAYA NDAIHWA YAWATAURA KUTI MURUME NDEWAKO BUT
NDODA KUKUVHUNZA KUTI NDIANI AKAKUUDZA KUTI FIGHTING IS TO SOLVE THE
PROBLEMS ** uyu ndiMirriam musikana wemuEcconet uya anga arandutsira musindo ,aitaura
apa.
(Rutendo)* Miriam murume wangu ndomuda shuwa ndosaka ndatadza kuzvidzora dzimwe nguva
Rudo runokubvisa pana mwari shuwa
(Miriam)* iwe iwe terera ikozvino kutadza kuzvidzora kwako hona zvakwakuitisa manje ,hona
vanhu vese vakaku yeva kukangati uri T.V , saka is that kind of an image yaunoda hantie ,
(Rutendo achichema achiti)*
(Rutendo)* handizivi chiii shuwa murume wangu ndomuda shuwa ,,
(Miriam)* ini ndaona kuti utori neproblem ,ini handikwanise kuramba ndichitaura newe ndinga
toite hasha unoita senge Brain ndiye murume ega panyika why??
Panguva iyoyo Mai Ticha vanobva vasvika ndokuuya vachimhanya ndobva vati kunaRutendo chiii
chaitika pano ,,Miriam akabva atsanangurira Mai Ticha zvese zvaiva zvaitika ..
Mai Ticha vakaita hasha ndokurova Rutendo mbama padama uku vachibuda misodzi ,,,
(Miriam)* ini zvaRutendo handi ngazvigoni ,sarai mega ndakudzokera kubasa rangu ..Miriam
ndokubva pavari ndoku dzokera pabasa pake.
(Mai Ticha)* iwe Rutendo indaba uchiita zvinhu zvonyadzisa kudai panyika ikozvino tarira uone
vanhu vese ava vakakuyeva vachikuseka ,unopenga here iwe ,,ko Brian wacho ane chinhu
chinombonaka zvakadi chikuita kuti upenge so ,,sumuka tiende apo ,,, Varume vanoita zvekutora
maPhoto mutown vaya maCamera man vaive vakatarira zvaiitika nguva iyi ,kuzoti pakataura Mai
Ticha mashoko aya vese vakabva vatanga kuseka vamwe vachiita sevachadambuka mbabvu
...umwewo Camera man aona Mai Ticha naRutendo vakuenda ,anobva adedzera achiti
,ungatambure varume isu vana Lucky tiripo huya kuno tikuendese kumusha korima cotton uko
,,,paakangodaro vese macamera man vanotanga kuwedzera kuseka ,,, Zvisinei Mai Ticha vanobva
vanopinda mumota naRutendo ndokurova Pasi ,Mai Ticha nguva iyi vanga vakutyaira mota yavo
vega uku vakagumbuka kuratidza kusafara nezvanga zvaiitika _

Mai Ticha Vachisvika kumba vaiva vakagumbuka shuwa zuva rese rakasvika pakuvira vasina
chavanga vataura naRutendo ,but mumoyo mavo vanobva vapinza mwari ndokuyeuka kuti
kutaurina ndiko kuhwisisana .Mai Ticha vanobva vati kuna Rutendo* nhai Rutendo unodarirei
kuzvi bvisa pana mwari wega nezvinhu zvisina Basa ,ikozvino nyaya yako yazara paFacebook
nepaWhats app unofunga zvinhu zvakanaka here .chimbondiudzawo shuwa ,kana chiri chinhu
chaBrian chaikunakira kusvika pakuti udai haa zveshuwa chonaka
Rutendo ndokuti * kwete izvozvo Sisi pamwe zvinhu zvaiitika nekuti pamwe Brian ndomuda
zvikuru asi nezvaandiita nhasi mutown handifunge ndicharamba ndichifunga nezvake futi ..but
kutaura shuwa Brian murume wangu ndomuda ndakakuudzai wani kuti chandoda I normal life
yangu back yandairarama nemurume wangu & vabereki vangu ndaiva vanzira ndichiti murume
wangu achachinja but ma1 chaiwo ,,,(Rutendo ndokutanga kuchema )
Mai Ticha ndokuti * Rutendo unga tocheme nepamusaka paBrian ,,,izvezvi ukuchema iye Brian ari
busy kufadzana paBonde nemukadzi wake kumba kwake ,, kuchema kwako kotondiudza mwana
wako haumudi uye ukuzvibvisa pana mwari wega ,ini ndoziva Brian mabatiro aanokuita it means
haana basa newe but chando ziva kuti Brian zvikwambo zvake zvicha mupandukira in Jesus name
but this time before we sleep ndoda kukuuudza kuti kana Mwari akati Brian ndewako hazvichinji
Rutendo ndokuti * maita basa henyu sisi ndino kutendai nerudo rwenyu shuwa nezvandaita nhasi
mutown Dai muri mumwe munhu maindidzinga pano,,,,, Mai Ticha semunhu ainamata mwari
chigumbu naRutendo changa chatopera vanga vakutourawo dzimwe nyaya vapedza ndoku namata
ndokubva vanorara.

Papera tuma zuva**


HAMU HAAAAMU PIPIPI HAMU HAAAAMU PIPI ,( VIA BULAWAYO PINDAI MUBHAZI
REKWATOMBS IRI ,HAAAAMU PIPIPI HAAAMU PIPIPU HENDEI HAMUH MARRY NA
PETER HENDEI RUTENDO HENDE HAMU HAMU HENDEI GARAI ZVAKANAKA MESE
HENDEI*uyu ndiTanaka aiita izvi uku achiDriver chidhina ,,
Mai Tanaka vagere paChair vachiona mwana wavakabara achiita izvi vanotanga kuyerera misodzi
ndokusumuka ndokunopinda mumba because vaigwadziwa kuramba vachiona mwana wavo achiita
izvi,, Vachisvika mumba vanoona murume akagara achimbokaka ngoma yake (mbarure) ..mbarure
ndekaya kangoma kanorira zvinenge zvichienderana nekutamba kunenge kuchiita chigure ...
Zvisinei Mai Tanaka vanoti imi vaBanda makagara ipapo muchingo netsana nekangoma kenyu
ikako .. mukumboona kuti mwana akutoita achiwedzera nekutopenga ,sure zera raTanaka re24 years
anga tambe achityaira chidhina zera rake makazvionepi ..Baba Tanaka vanobva vadongorera
nepawindow ndokuona Tanaka haikona aribusy nekuDriver chitina chiya achiratidza zvikunakidza
chaiko. ,,Baba pavanoona izvi vanobata musoro ndokuti )* eeeee aya ndiwo majokose chaiwo
,mwana wanga ine Banda kuita njodo njodo haaa mwana wanga wamwarira shuwa)* uku Mai
Tanaka misodzi ichiyerera nepamatama ,,
Baba Tanaka vanobva vatsinzina kwekanguva,,ndokutanga kutii hooo ,hooo ,ukuvakatsinzina
hameno kuti zvii zvavaiona ,zvisinei ,ndokuzosvina ndokuti *hooo iwe ndiwe Brian wacho wafuna
kuuraya wana wanga iwe ,manje this time watamba wrong muzukuru pakutamba nemwana wanga
ine Banda from Zambia...Baba vaya vanobva vapinda mubedroom mavo ndokuita zvavanoita ...

Mai Anitha haa maita Basa tambotandara nemi takuenda kumba ,,ava vasikana vekuchurch vaiva
vauya kuzobetsera mai Anitha basa repamba ,,Hantie mongoziva machurch emazuvano unokwanisa
kuenda kumba kwaPastor wonoita basa repamba uchibetserawo ,,, Mai Anitha ndokuti * zvakanakai
Irene naTalent mofamba mushe vana vangu may God bless you. Irene naTalent vanobva vabuda
ndokuenda kumba kwavo ,, Mait Anitha vaya semunhu aiva achiri neStress yevana vavo vakaita
tsaona ,,vanobva vati better ndimborara ndibvise stress ,,nguva dzava norara vanorota vana vavo
vaviri (Anitha naAshanti)* vachichema vachiti Mama maivepi Baba vachitidya naMaster* *
Panguva iyoyo vanobva vavhumuka ndokumuka Mai Anitha ,ndokutanga kufunga nezve hope dziya
,,,vanobva vatora phone ndokufonera Pastor murume wavo* inobva yadavigwa
(Pastor)* hallo mai mwana
(Mai Anitha)* muripi huyayi pane nyaya .
(Pastor)* inyaya yei nhai mukadzi wangu
(Mai Anitha)* huya zvoda titaure Face to Face kwete zvepaphone izvi ..
(Pastor)* ok ndikuuya may Master protect you ,,ndikuuya
Mai Anitha vanobva vadroper phone vakamirira murume kuti asvike vambo pedzerana naye.

Rutendo naMai Ticha varara Rutendo moyo wakaramba uchigwadza nezvaakaitiwa naBrian
,Rutendo anobva amuka ndokutanga kunamata achiti * Mwari baba ndimi munesimba ndinonamata
kuti zvinhu zvaBrian zvigosvika pakuguma Father I pray nemoyo wese Father I command mhepo
dzezvinhu zvaBrian dzisauya pamwana wangu ,Father I pray kuti mukadzi waanaye agoonawo
same Hondo yandakawona mumba maBrian ,Father I pray Father Amen. ,anobva arara Rutendo

Hwava husiku Brian akarara naChipo muBedroom vachitaurirana zvavo ,,


(Chipo)* dady munombozuva kuti muri handsome here ende ndokudai zvikuru
(Brian)* shuwa here cwty kana neni ndokudawo ufunge
(Chipo)* but tell me truth kamudhara kaya kanonzi Burden kaunotamba nako hakana kuromba
zvikwambo here kaya kuti kaite mari .
(Brian)* aaar arrr handizivi why wavhunza ..
(Chipo)* ummm shuwa ini hupenyu hwangu hwese ndaingonamata kuti mwari asandipe murume
anezvikwambo sure ,,,and akazondipa iwe usina
(Brian)* kk ha ee ho ee yes handina zvikwambo umm will never do that ,,, zvisinei Babe handi
ndakakuudza kuti mazuvano hapana muGuard so ndini ndikunorara panze ndakachengeta imba
hantie ,,
(Chipo)* its ok babe saka ticha tanga kurara tese rinhi
(Brian)* as soon ndawana muGuard
(Chipo)* ok goodnight
Brian anobva abuda ndokuenda kunorara mumota make muya achiitira kupa Chikwambo Peter
mukana...
Brian ava mumota anobva ati better ndiridze masoul music ndirare paanoita play anohwa radio
ikurira ngoma dzezvigure

END OF CHAPTER 16

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 17

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

BRIAN AVA MUMOTA ANOBVA ATI BETTER NDIRIDZE MASOUL MUSIC NDIRARE
ZVANGU ,PAANOITA PLAY ANOHWA RADIO YEMUMOTA MAKE IKURIRA NGOMA
DZEZVIGURE ZVAYO ,,ZVAKAMUNETSA BECAUSE IYE AIVE AISA DISC REMUSIC
YECHIRUNGU**
Brian anorohwa nehana ndokutanga kuvhunduka kuti chiii chikuitika panapa. Anobva aita pause
radio yake ,ngoma dziya dzinobva dzanyarara ,Brian anongoti nechemumoyo rinenge Disk racho
rabatiwa neVirous that's why rakurira ngoma nxxxx madisc emazuvano aya kujutiwa chaiko
kuripachena ,rega ndizvirarire ini .
Brian vanobva varara zvavo
* oshhh cwty kani oshhh ooo cwty kani ,I love you so much Peter oooo cwty kani oo do me ooo
babe ,u are killing me with your love ooosh oshhh*
Uyu ndiChipo aiita izvi arikuhope kureva kuti aitorotomoka ,papera 10 minutes achiita izvi ndipo
paano zopepuka achiita zvekuvhundukira zviya ...kuvhunduka hope dzaanga achiita dzeBonde idzi ,
Chipo zvakamunetsa ndokuzvitarisa ndokuona bhurugwa remukati haachisina ,anotatisa ndokuona
riri pasi rakakandiwa kwakadero ..Chipo kuti asumuke anohwa muviri wake wese urikugwadza
kunyanya pasikarudzi yake aigwadziwa kungati munhu achangobva mukuzvara ,,Chipo akatanga
kuchema achigwadziwa zvaimunetsa kuti ndiBrian andiita izvi here but kana ari Brian ummmm
kana riri Bonde naye handichada zvangu because iiii zviri too much izvi ,ndingatodzokere kumba
kwedu zvangu,,,
Chipo anobva atoshaya hope husiku uhu plus kazhinji munhu kana uchihwa pain hope hadziuyi
manje uyu zvanga zvasangana nestress .Dzakatoramba kuuya hope ,Zvisinei Chipo anobva agara
pamubhedha akamirira kuti kuedze ataure naBrian pamusoro penyaya iyi **

Brian akarara mumota apa kwanga kwatoedza nguva dzava 6:30 am ,,anohwa noc padoor remota
yake ,anobva apepuka ndokutarira ndiani ,anobva aona mukadzi wake Chipo akamira padoor achito
noka ..
Brian anobva ati kunaChipo pinda ,Chipo anobva apindawo mumota ndokugara paseat repaside
nera padriver ,,,Brian ndokuti *
(Brian)* cwty wamuka sei nhasi mukadzi wangu
(Chipo)* handisi kufara nezvawakandiita zuro manheru....
Brian semurume akakurumidza kuziva kuti nyaya ikuda kutaurika apa inyaya yaPeter ,saka rega
ndigare ndaitenga ***
(Brian)* sorry cwty ndakazopinda mumba ndakawana wakarara ndakabva ndangoita bonde newe
wakarara kudaro because ndakaona kuti ndikumutse pamwe waizo popota
(Chipo)* aiwa Brian handitombozvide izvovo zvekuti unondivinga husiku ndakarara wotanga kuita
bonde neni ndisingazivi ,plus do you know that i rape case here iyoyo sha ...please kana wakuda
ndibve pano imbozviyedza zviite futi uone , ukangozviita futi ndodzokera kumba kwedu ..
(Brian)* aiwa Chipo ndokuda sorry ndichaona ndodi mukadzi wangu hantie ka ,,
(Chipo)* apa futi zinhu rako renge zihombesa ikozvino ndikugwadziwa futi arrrr Brian handifungi
tichagarisana zvoenda kure pano ,kana wakasachinja maiitiro.
(Brian)* ok mukadzi wangu ndapawa Mai Tanya ndichaita kuti zvinake,,
(Chipo)* Tanya ndiani ??
(Brian)* mwana wedu ka watichaita ndiye Tanya ,,,
Nguva iyi Chipo anobva asekerera ndokunogara pamakumbo aBrian ndokutanga kukisana ,,Chipo
anobva ati chirega ndimbo nogeza ndizorore because zuro wakandi kuvadza shamwari ,anobva
abuda Chipo ndokuenda kunogeza ..Nguva iyi Brian anobva ataimira Chipo achipinda mubath
,,,Nguva inopinda Chipo mubath Brian anobva aendawo muroom yezvikwambo zvake
,ndokupindamo anowana kachikwambo Petter simile ichiita kusvika kugotsi nekufara ,Brian
ndokuti*
(Brian)* Peter zvawaida zvakaita ka.
(Peter)* haa zvakaita but hantie unoziva mutemo wedu zvikwambo ndewekuti kana wandifadza
neniwo ndokufadzawo ,saka panguva ino rega ndimboenda kumabank ndimbono kutsvagira mari ,
saka nguva yandichaenda ndendakusirai mukana naMarry kuti muitewo Bonde sezvo ini
wakandivigira mukadzi , ndakarara ndichinakigwa zuro wese plus nhasi manheru ndoda
kumbonakigwa futi kwete zveHure riya Rutendo raindikonesa kuita zvandoda ...Kachikwambo
Peter kanobva kanyangarika ..Kanga katoenda kumaBank kwacho kunotsvagira Brian madollars
ekutenda mukadzi akauya ..Nguva iyi Brian anosara achiitawo Bonde naMarry semagariro avo
mazuva ose ..apedza kuita izvi anosiya akiya room yezvikwambo ,,ndokuenda musitting room
kunogara naChipo uku akamirira mari ikuuya naPeter.

But Mai Anitha shuwa usandidaro mukadzi wangu ,,ndikugwadziwa nekundituka kwawakandiita
zuro paya ..
Apa hona pawakandirova nePan pachiri pakangozvimba nanhasi shuwa usandidaro zvirinani ndife
hangu because nhamo dzacho dzandiwandira ,ndinoti ndikuchema vana vangu vakafa uku mukadzi
wangu akundipumha huroi nekuside kuti ndakadya vana vangu shuwa ,,saka iwe unofunga
ndingauraye vana vangu vandakazvara here sure ,But usadaro mukadzi wangu ndikutogwadziwawo
nevana vangu vakafa hausi kuona kuonda kwandaita mazuvano nekufunga vana vangu shuwa
,hauto ndihwiriwo tsitsi kana ..
Unokwanisa kundishungurudza kana kudi but nguva kana yakwana inenge yakwana cwty ,Master
ooosh sorry I mean mwari vakaita kutonga kwavo ,tichaita vamwe vana life goes on ,,,
Ava ndiPastor vaitaura nemukadzi wavo ..
(Mai Anitha)* Imi VaMashayamombe nyaya yondigwadza ndeyekuti vana vaviri pabhazi rine vana
30 sure here murume wangu ,plus hope dzandakarota ndedzechokwadi dziya ,murume wangu
unechekuita nazvo zvinhu izvi ..
(Pastor vanotanga kuchema vachiti)* saka Mai Anitha ukuti ini ndakadya nyama yevana vangu
shuwa kana vanhu vemuchurch vachihwa kudaro sure kuti ndikunzi ndakauraya vana vangu vanoti
chiii but zvisinei waita basa hako nekundipomera mhosva yandisingazivi mwari vave newe ..
(Mai Anitha vanotanga kuhwira murume wavo tsitsi vaona achibuda misodzi ,mumoyo mavo
vakazvi vhunza kuti dai varivo Pastor vakauraya vana vaizochema so here ,bodo murume wangu
haana chaanoziva uyu but mwari itai kutonga kwenyu mugondiratidza munhu akaita izvi ,) Mai
Anitha ndokuti* chinyarai Pastor ndiregerereiwo ndazviona zveshuwa kuti murume wangu hauna
chaunoziva panyaya iya ,,,Mai Anitha vanobva vabatana nemurume wavo ndokutanga
kunyararidzana nekusimbisana ..ko Mai Anitha vaigozivei kuti Pastor ndivo nyakudya mazai avo*

Rutendo arikumba akagara naMai Ticha vachimboona channel ye (Prophetic Channel YA


SHEPHERD BUSHIRI)* paTV vakatandara vachiona vanhu vachimbopa maTestimony ,,
(Mai Ticha)* iiii inga zvakaoma wava ona mai avo Testimony yavapa inotyisa sei , murume
anonamatira vanhu shuwa uyo ,anechipo chake shuwa surrend ..
(Rutendo)* umm zveshuwa Major 1 varipedyo naMwari & vane Simba ravo , mukadzi uyo
testimony yaakupa ndeyekuti airarama mumaA.R.V after anamatigwa naMajor akadzokera
kunotestiwa akanobuda negative again shuwa mwari vane Simba ,ichi chishamiso chaicho ,thank
you God
(Mai Ticha)* shuwa mwari mukuru ,pazvese asikana ,mwari ngakudzwe nekusingaperi
(Rutendo)* AMEN,, ok sisi ini ndikuda kumbosvika pamashops kunotsvaga etym ndifonere
vabereki vangu ,ndimbo vazivisa nyaya yangu naBrian because Brian aramba kubuda mumoyo
mangu .
(Mai Ticha)* before you go ,ndoda kumbokuvhunza one muvhunzo kuti what do you have in mind
about Brian?
(Rutendo)* come rain ,come thunder I will love Brian till to the end ,handikwanise kukunyeperai
sisi ,but I promise hangu kuti handichafe ndakaita musindo nevasikana vaBrian futi because
ndozviripo ,But iye Brian 1 day achanditsvaga hake ,God is my witness,,
(Mai Ticha)* ok tora hako mota unende kumashops kwacho ,,o 5 dollars iyi ugondi vigirawo
mapades anokwana ipapo because mazuva angu akusvia manje ,,,,
Rutendo anobva aseka ndokutora 5 dollars iya ,ndokuti nhasi mota kwete ndikuda kumbofamba
kuitira kumbo tasamura makumbo mosara nemwana wenyu Bhule ini ndatova kachimoko
handichada zvemwana kkkkkk. Mai Ticha vanobva vaseka ndokuti ok chimoko chiDanger ufambe
zvakanaka.
Rutendo anobva abuda ndokuenda hake kumashops achizvifambira
Rutendo arimunzira kuenda kumashops achizvifambira hake ,,,,Anobva aona imwe mota ichisvika
paari ndokubva yamira ,mota iyi iri rudzi rwe(Toyota corolla)* mota iyi yamira ,,mutyairi wemota
iyi mukomana aityaira ,anobva ati kuna Rutendo* hello lady my name is Vincent ,do you mind if I
give you a lift , I can see tikuenda same Direction
(Rutendo)* sorry handina mari yekukubhadharai mukwasha ..
(Vincent)* no its ok ndokusenga mahara just come inside.
(Rutendo)* imi mukwasha ndikwanirei mukunzwa ka ,mondirovesa nemurume wangu Brian
apa..Rutendo anobva atanga kufambisa achienda akasunga mamoods..
Vincent uya anobva adarika nemota yake ndokuenda kwaaienda ..
Rutendo achisvika kumashops anobva atenga etym yake ye3 dollars ,ndokubva atenga nezvaanga
abatisiwa naMai Ticha zviya ,,apedza ipapo ndokudzokera kumba hake

Nhai vaBanda saka hurwere hwemwana wedu ukuzopera sei nekuti ikozvino zvawedzera futi ,
mukumboona here kuti akuita basa rekudzingirira vanhu vanenge vachipfura paroad. munoti
hupenyu here uyu Baba imbotaurai zvinoita zuva ranhasi ,,ava ndiMai Tanaka vaitaura nemurume
wavo ,,
(Baba Tanaka )* iyi haisi nyaya mukadzi wangu zvoita chete midzimu yangu haindirasi uchaona
(Mai Tanaka)* nhaimi zvamuri mukuru mukuru wezvigure ,vanhu vangani vanouya pano vachida
mishonga muchivapa ende mishonga yacho ichonoshanda chaizvo ,ko nei imi mukokonewa
kurapa mwana wamakabara ?
(Baba Tanaka)* mukadzi wangu unofanira kuziva kuti n'anga haizvirapi ,,ini handikwanise kurapa
Tanaka kuti adzoke papfungwa dzake but chandokwanisa kuita ndechekuti vacho vakamupengesa
ndivo vandichagwa navo Hondo huru ,kusvika vazouya kuzosungura mwana wangu ,kunyaya Brian
wandakaona mumhepo uya ndiye wandikuda kumbofamba naye ende ndoziva kuti achaguta hake
haasati adi .
(Mai Tanaka)* shuwa baba gwirai Hondo yemwana wenyu ,makadaro munenge magona Baba
,munhu akaita izvi kumwana wedu anofanira kutambudzika hupenyu hwake hwese ,,
(Baba Tanaka)* unemoyo wakasimba here mukadzi wangu pane zvandoda kukuratidza
(Mai Tanaka)* hwongu why mavhunza ,
(Baba Tanaka)* ndoda kukuratidza kamunhu kaka konzera hurwere uhu kumwana wedu ,huya
pano ugare pano utarise muHari iyi...,Mai Tanaka vanosumuka ndokugara pedyo nemurume wavo
ndokutarira muhari iya ndokuona ,kaBrian kari kumba kwako kakagara zvako,,
(Baba Tanaka)* ukuona kamurume aka ndiko kakaita izvi kumwana wedu saka toita sei nako?
(Mai Tanaka)* uyu murume ndotoda apengewo zvikuita mwana wedu kana asina kuuya
kuzosungura mwana wedu before 1 week ,,
(Baba Tanaka)* samai vakabereka Tanaka zvamataura ndozvandichaita,, nguva iyoyo mai Tanaka
vanobva vati * BABA HONAI TANAKA ZVAAKUITA KUROAD MHANYAI MOMUBATA
,,Baba vaya vanobva vamhanya kunobata mwana wavo anga akupotsera matombo kumota
dzaipfura paroad. .

Morris akagara kumba kwavo anoona murume aimboshandira bhudi vake (Max) achipfura ,,,Morris
anobva asumuka ndokudedzera achiti * BIG 5 BIG 5 * MIRA IPAPO MIRA IPAPO .* Big 5 uya
anobva amira Morris ndokubva aendako kunaBig 5 ,, Morris ndokuti *
(Morris)* uriseko ko Big 5 indaba kurova shamwari ,,
(Big 5)* ndogokona kurova sei mazuvano ndirikushanda paBhawa ronzi (Yoyo Night club ) ndipo
pandikuita doorman
(Morris)* kkk zvagara nemhasuru dzako kana uripadoor hapana anokutanga vese vanenge
vachikutya ,,
(Big 5)* zvaida mazuva aya Max achiri mupenyu ndichishanda kumba kwake ,ha life is so short
akomana
(Morris)* zvowanikwa ,right Big 5 pane murume uya aiwanzo kuuya kuna Max kumba kwake
mazuva aya uchiri kumuziva here ?
(Big 5)* hooo ukureva aka kaBrian kemari dzako ,
(Morris )* right right anogarepi munhu uya ndipoo house number dzake
(Big 5 )* o kapepa aka ndokane house number dzake ,,shamwari ini ndinehope unongoziva basa
rekushanda mhanheru wakasvinura ,saka rega ndozorora tozobatana later ,kutamba hakubvaruki ,
Big 5 anobva aenda

Arrrr ko sisi ndambokuudzei yatambika makuseni paya pandaenda kumashops ,uyu ndiRutendo
aitaura naMai Ticha ,
(Mai Ticha)* eee ndiudze
(Rutendo)* ndati ndiri muroad kuenda handingamirigwi nekamwe kakomana nemota ,hanzi hee
huya ndikupe lift kudi kudi ,my name is Vincent zvakazodai kudi ,nxxx
(Mai Ticha)* saka wabva wadi manje ?
(Rutendo)* arrrr ndamutuka ndamuudza mundikwanire mukwasha ndine murume wangu ini ,,,
..Vaviri ava vanobva vatanga kuseka zvavo

GU GU GU , GU GU GU ,IYI I NOC YAIVA PAGATE ...


(Chipo)* nhai Dady Brian mamboiwa noc iri panze pagate here ?
(Brian)* no cwtyhrt pane noc here
(Chipo)* I think there is someone who is nocking out there OK let me go and check ,, Chipo anobva
abuda ndokusvika pagate ndokuti ndiani akunoka out there .
Munhu ainoka pagate ndokuti* ndini Simba shamwari yaBrian ,ndokumbirawo kuona Brian kana
aripo ,,
(Chipo)*OK mirai ipapo ndovadana vakuuya ,,, Chipo anodzokera Mumba ndokunoti kunaBrian *
dady hanzi ndiSimba Friend yenyu ada kukuonai ,,
(Brian)* Simba ummmm handina Friend inonzi Simba ini , anywhere my love ndiperekedze
tonoona ndiani iyeye ,,
Brian naChipo vanobva vabuda ndokuenda kunoona kuti ndiSimba upi iyeye .. vachisvika pagate
Brian anobva adedzera achiti* ndiani uyu akundida ,,,
Simba uya ndokuti* ZVINHU ZVIYA ZVATOTANGA SO NDINI MORRIS NDATOUYA SO &
NDITORI .......

END OF CHAPTER 17

----------------------------------------------------------------------------------------

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 19

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

CHIPO ANOBVA AYEUKA KUTI MUKADZI UYU NDIYE MUKADZI WEMUSI UYA
MUTOWN,,Chipo anobva atanga kuti* hooo mukadzi uya saka akaita Simba rekundirova because
ndiye mukadzi chaiye waBrian .saka murume uya wekuita musindo naBrian musi uya ,aitaura
chokwadi kuti Brian akatiziwa nemukadzi ,saka kureva kuti pamwe nezvezvikwambo zvaaka taura
paya zvinenge zvechokwadi ,nhai mwari shuwa mungandisiye ndichiwira pakadai shuwa .saka apa
mukadzi uyu chaanenge akatizira pano chiii ipo panezvese kudai , kuti haana kutiza iyo nyaya
yekungoitiwa Bonde nezvinhu zvisingahwisisiki but ndizvo chete zvaakatiza ,because ini
handichazive kuti Brian ndiye anenge achindiita Bonde racho here kuti ndezvimwe zvinhu ...Aiwa
izvi hazvidi kugara pasi rega ndimbonoona *MADZIBABA JACOB* vambo nondishandira
because izvi zvakutondi kurira kufunga nekuti ndikada kuramba ndakagara ndingafire murima,
Chipo anobva ageza apedza ndokutora dhuku chena rekuzono sunga kana asvika kwamadzibaba,
nguva iyoyo ,anobva abuda ndokupinda mumota akananga kwamadzibaba ,
Paiva nekamufambo ke5 km ,kubva kumba kwake kuti asvike kwaMadzibaba , papera 20 minutes
ari muroad ,ndopaanozosvika asati aburuka mumota anotanga asunga dhuku chena riya, apedza
kusunga dhuku rake ,anobva abuda mumota yake achienda paCrawa yamadzibaba , anobva asvika
ndokupfugama paCrawa paya ,nguva iyoyo madzibaba vanobva vauya ,ndokusvika pana Chipo
ndokuisa ruoko rwavo pamusoro waChipo ,
(*Madzibaba vaya vano tanga kuti ,* mwari baba murikumusoro kudenga ndikukumbirawo Simba
renyu zvekare panguva ino ,ndioneseiwo zviripamuranda kadzi auya pamba yenyu pano *
*MADZIBABA vanotanga kuseka ndokubva vati kunaChipo nyaya yako yawauyira pano ndaiona
uchiri kugate uko ,saka nguva ino mwari vanditi ndikuudze zvese zvirikuitika kumba kwako ikoko
nemurume wako ,, ** Chipo ndokuti shuwa madzibaba ndiudzei betseraiwo mweya wangu ,,,
Madzibaba ndokuti** amai dambudziko ririkuita mukugara nemurume ane ndwindwi dzake , kana
ndichiti (ndwindwi) ndenge ndichizama kutsanangura kuti anezvikwambo zvake , saka ndoenderera
mberi here nenyaya iyi kana makasununguka ,...Chipo ndokuti taurai henyu Baba*
*MADZIBABA* vanotanga kuenderera mberi vachiti * sisi imimi zvikwambo zvemurume wenyu
hazvitsanangurike ,saka imi tarirai paglass iri muone zvinoitika mumba menyu nekuti ndakada
kurondedzera nemuromo zvoita sendotamba nepfungwa dzenyu . saka imi zvionerei paGlass apo
nemeso yenyu ,,,,Chipo anobva aita sekudaro ndokutarira paGlass riya *ndokuona achiitiwa bonde
nekachikwambo ,zveshuwa achitoona kuti apo ndini chaiye necolour yebhurugwa randanga
ndakapfeka ,zveshuwa nezisikarudzi iro saka ndaimuka ndichigwadzi ,shuwa ndizvo chaizvo izvo
umu ndomumba maBrian chaimo , ..Chipo achiona izvi moyo wake unobva watanga kugwadza
anobva avhara maziso kuti asarambe achizviona ,,...
*madzibaba* vanobva vati waona zvikuitika mumba mako wazvionera wega ini handichina
zvakawanda zvekutaura ndapedza newe ,*madzibaba* vanobva vadzokere mumba mavo ,
Chipo anobva asumukawo ndoku dzokerawo kumba kwake , apa misodzi iripamatama ,* shuwa
Brian akandirora kuti ndiite mukadzi wezvikwambo shuwa ,no no no no not me Chipo not me
Chipo ,,ndosaka mukadzi akamutiza , rega ndiendeko kumba ndonorongedza twangu ndidzokere
kwaMai vangu because handinga gariri nonsense dzakadaro ,nxxxxxx kana iri mari ngaigare
zvayo , Chipo anobva apinda mumota ndokudzokera kumba*

*Chipo* achisvika kumba akasvika Brian asati adzoka ,chipo akabva atoti chance given yekutiza
pano ,anotanga kurongedza hembe dzake dzaakabva nadzo kumba kwamai vake ,dziya
dzaakatenga akugara naBrian akadzisiya dzese ,chese chinhu chinongonzi chemari yaBrian
aisiya ,,apedza kurongedza nhumbi dzake anobva anyora katsamba achiti *Brian pamwe dzimwe
nguva muhupenyu kusaziva mwari koparira ,ufunge ndakaita mistake kuwanikwa newe but zvisinei
zvese zvezvikwambo ndavakuzviziva ,unoita basa rekurora vana vevanhu uchivaita vakadzi
vezvikwambo zvako, kutaura chokwadi ndagwadziwa nezvawakandiitisa Brian ,ende ndonamata
kuti mwari dai vakakupa chidzidzo chausingafi wakakoshiwa muhupenyu hwako hwese, shuwa
kutora ini naRutendo uchitiita vakadzi vezvindofa zvako Amen ,kundiita mukadzi wezvikwambo
shuwa ,please please please, usachanditswaga ini nezvako zvatopera , thank you for making me
mukadzi wechikwambo ,God bless you*
Chipo apedza kunyora tsamba iyi anobva asenga bag rake ndokuti rega ndibude ndiende Brian asati
adzoka , akuda kubuda ,anoona door reroom iya yaigara yakakiwa richivhurika rega ,apa ndiro door
raaiva akanzi naBrian asabate kana kupinda, zvisinei time inovhurika door iri moyo waChipo
unobva wangomuti darikira usapinde , akuda kudarikira anohwa makurira ngoma dzezvigure
muroom muya , ** *Chipo* ndokuti arrr Mira ndione akuridza ngoma imomo
, Chipo anobva ati better ndidongorere ,achino dongorera kudai achiona kachikwambo kaya
kaaratidziwa paGlass namadzibaba karimo kakamutarisa ,,, Chipo anobva arohwa nehana
ndokuramba akakatarisawo. vakatarisana nechikwambo chiya ,,,chikwambo peter chobva chatanga
kuti * mukadzi wangu usaende ,ndokuda nekuti unonaka zvikuru ndapota usaende kandi I love u
mukadzi wangu , kasati kapedza kutaura , Chipo anga atova kugate achirova speed kutiza
kudzokera kwamai vake .

*KASHIRI MUVAVE ,KASHIRI MUVAVE KASHIRI MUVAVE BWERE ,BWERA BWERA


,KASHIRI MUVAVE* panobva pasvika kashiri kadema dema kanemaziso makuru nemusoro
unenge wembeva ,ndokaya kashiri kanodaniwa kachinji *(Chiremwa remwa ,)ndokashiri kano
wanzo shandisiwa nevaroi pakuroya ,zvisinei kashiri aka kanobva kasvika ndokumira paroko
rwaBaba Tanaka ,, Baba Tanaka vanobva vatanga kutaura nekashiri kaya vachiti * kashiri muvave
thank u so much wagwisa Hondo maningi waenda ukanoratidza musikana zvikwambo wagona
,zikomo zikomo ,now kwasara Brian rega ndishande naye chienda kashiri muvave ndichakudana
kana ndokuda zvekare ,...KaShiri muvave kaya kanobva kabururuka ndokuenda ,,Baba Tanaka
vanobva vabuda Mumba mavo sezvo vanga vapedza kutaura nekashiri muvave kavo. Vachibuda
vave penze vanoona mwana wavo Tanaka , achidedzera achiti *Rutendo huya kanhi ,Mai Bhule
huya kanhi ,Rutendo huya undione kanhi ,kkkkkkk haaa huya tiende nebhazi hamuuu hamuuuuu ,
dzobva dzatanga kudriver chidhina chadzo semagariro adzo*
(Mai Tanaka)* baba Tanaka ini mondiisa pajere chaipo rekuswera ndakarinda mwana wenyu
iyeyu ,, ko iye Rutendo akungotaugwa mazuvano naTanaka anombori ani chaiye nekuti dzimwe
nguva Tanaka kana afarisa unohwa achivhunza kuti Mama Rutendo akuuya rinhi?
(Baba Tanaka)* akavhunza kudaro rinhi.
(Mai Tanaka)* zuro aka tondivhunza ndakato shamisika kuti anototaurawo ,ko Rutendo wacho
ndiani
(Baba Tanaka)* arrrr handizivi but ndoona senge pane munhu anonzi Rutendo waanoziva kana kuti
waanoda kuona pamwe kana kuti kungonakwigwa zvake nezita racho rekuti Rutendo iroro
(Mai Tanaka)* ndoona sekudaro manje mofunga tomuwanepi Rutendo wacho, nyango akada kuti
amuone iye asingakwanisi kutiudza nyaya yake ichipera basa kudriver zvitina nekutamba
nezvidhori ,musamutevedzere Tanaka anopenga uyu ikozvino mukadzi wese waanenge angoona
muroad hanzi ndiRutendo saka dzinenge pfungwa dzikupisa
(Baba Tanaka)* hameno ipapo but kana ari Brian ndatotanga Hondo naye kashiri muvave anga
atoriko kwaBrian izvezvi
(Mai Tanaka)* aaaaa shuwa vaBanda igwai hondo iyi ,tsividzai zvamakaitigwa mwana
(Baba Tanaka)* Brain haana chaati aona this is just the beginning ,

Rutendo achiwacha hembe dzaBhule nedzaTicha agere zvake panze ega sezvo Mai Ticha vaiva
vaenda kutown kunotambira mari yaiva yabva kuU.S.A , uku Rutendo pfungwa dzake dzese
dzichingoona Brian ,
Rutendo achimbo rangarira mazuva aya avaidanana naBrian vachiri murudo, rudo ruchiri kupisa
Brian asati aromba vachirarama nemaTaxi , anobva atanga kuzoyeuka mazuva ekupedzisira zvinhu
zvatoipa Brian atoromba Mumba musina rudo , akuyeuka mumba mangova kugara uchirohwa
,Rutendo anobva angoti * zvisinei hazvo chero hazvo zvaka zofamba nenzira yaSatan but kunamata
mwari handife ndaka regera nyango zvireme sei ,,Nguva iyi Rutendo anobva ahwa huta yemota
ichiti pipipi pipipi pagate,
Rutendo anobva acheuka achitarira ndiani. Ndokuona ndiVincent auya zvekare , Rutendo anobva
aita hasha ndokuti * Munhu uyu zvaakutoenderera sehembe ikubvaruka . Rutendo ndoku sumuka
paanga akagara ndokuenda kugate kuna Vincent nehasha ndokusvika achiti *iwe chiiii chaukuda
kwandiri mhani leave me alone*
(Vincent ndokuti *its ok I am sorry nekuramba ndichiuya ,just that ndakawa musi uya uchiti hauna
phone saka ndanga ndakutengera phone iyi ndakuvigira kuti uwane chekushandisa uchitaura
nemurume wako pamwe neshamwari dzako please accept it*
Rutendo anobva abata muromo ndokushamisika time dzaanga akuda kuiramba phone ,, anotarira
kumeso kwaVincent anobva atanga kuhwira Vincent tsitsi ,anobva agamuchira phone iya ndokuti
kunaVincent thank you may God bless you . ...Vincent ndokuti *amen zvisinei ndozvandanga
ndavinga kuzongokupa phone iyi , shamwari ini handichagari hangu ndakuenda kumba
kumbonozorora ,ugomhorosa mwana wako*
VINCENT ,anobva apinda mumota yake ndokuenda kumba kwake ,,,
Rutendo zvakaramba zvichi ngomushamisa kuti Vincent angatengerewo mvana yakaita seni phone
yakadai shuwa phone yemari iyi zvakaoma izvi ,kana mai Ticha vadzoka kutown ndoda
kuvaudzawo nyaya iyi ,Rutendo anobva anoisa phone iya mumba ,ndobva aenderera mberi
nekuwacha nhumbi dzevana vake uku akamirira mai Ticha kuti ambovaturira nyaya iyi..

Pastor vari kuchurch vachi mboita service yeBible teaching kuVanhu muchurch
,Pastor vachiparidza vachiti *vana vamaster mese makaungana nhasi ndoda kukudzidzisai nezve
Restoration, moziva kana munhu achiberekwa anoberekwa anamwari mukati make , but Satan aripo
pakuku nyengedza kuti udzinge mwari mukati mako. Kana wadzinga mwari iye anouya otora key
yehupenyu hwako. Kureva kuti kana atora key yako ndiye anenge ave in charge newe , ndiye
anenge akukutuma kuita mabasa erima akashata se emunhu umwe anonzi ini ,saka nhasi toda kuti
kunamwari tikuda Restoration ,Tikuda Restoration yekey yedu yakabiwa naSatan ,,,in Jesus name
restore now ,I said in Jesus name restore in the might name of Jesus restore ,you must receive your
key again today ,I said restore , Master fire ,*
Pastor nguva yavanoti (master fire) vanhu vese vaiva muchurch vanobva vadona pasi vese vamwe
vachibuda maDimon .
Pastor vano enderera mberi vachiti *alll of u have been restored with my master today. In Jesus
name Amen* ,papera chinguva church inobva yazopera vanhu ndokuenda kudzimba dzavo ,
Pastor , vanobva vatorana nemukadzi wavo ndokuenda kumba kwavo. *

Hwava husiku Pastor vakara vano tanga kurota *Anitha naAshanti vaka batana maoko ,vakapfeka
madress ewhite azere ropa , apa vakamira paside pemubhedha wababa vavo vachichema vachiti
Baba makati urayisa Baba makazviitirei , muhupenyu hwenyu muchatambura zvikuru uye hamu
chafi makaita vamwe vana futi*
Nguva iyi Pastor vanobva vapepuka ndokuti rega ndiudze mukadzi hope idzi ,vachitarira paside
ndokuona mukadzi haapo,ndokutarisa rimwe side rekwavanorara ndokuona Anitha naAshanti
vakamira vakabatana maoko vakapfeka madress ewhite akafanana azere ropa , Pastor vachiona izvi
vano rohwa nehana ndokuti kasi ndikurota , ndokuona aa handisi kurota zvinhu zvikutoitika ,
Pastor vanoti too late ndoku jamba pamubhedha kutiza mubedroom vechienda kutoilet kune
mukadzi wavo , vachisvika paToilet vanovhura door ndokupindamo ndokurivhara uku
vachifemereka ,,,,
(Mai Anitha)* aaaaa baba Anitha kasi munondishurira here ,shuwa mungandipindire mutoilet
ndiripakati peku zvibatsira shuwa ,sei musinga nyare so murume mukuru
(Pastor)* ooo sorry mukadzi wangu I mistake ,,,
(Mai Anitha)* ko kufemereka kudai chii
(Pastor )* ha hapana hapo ndanga ndichingo femereka chete ,,, Pastor vanobva vabuda mutoilet
muya ndoku enda musiting room ndokunogara imomo vakamirira kuti kana Mukadzi apedza kuzvi
batsira vobva vaendawo kunorara ,because Pastor vanga vakutya kurara vega nenyaya yezvavanga
vaona ,

*Haa shamwari Daniel nhasi tambotandara kubva makuseni na6 pandauya kusvika ikozvino patova
pakati peusiku tiri tese aiwa nhasi tambo tandara shamwari ungasvore here* .uyu ndiBrian aitaura
neshamwari yake Daniel ,
(Daniel)* haaa kana handi ngasvori ndokuti hubururu hwechokwadi kauku ,thank you shamwari
kana neni ndafara kumboswera newe zuva rese kwataita ,but ndatova nehope ndakuda kutorara ,
(Brian)* shuwa shamwari neni rega ndiite ndiende because kamukadzi kangu kaChipo kano popota
zvakaipa , so ndichisvika kumba ichaita nyaya kuti ndanga ndiripi ,kkkk
(Daniel)* kkk ari kutofunga kuti uri kumahure ako kkk, shamwari nyaya hadzipere tichazoona
mangwana ,but tikasaonana mangwana tenge takuzoona kugathering monday manheru ,tichinohwa
kuti midziyo yaMax ikuzoitiwa handover kunani .
(Brian)* uku taura zvinhu zvaka totengesewa kare nemachinda aMaster,,,shamwari tozoonana
ndakuenda ini ,,Brian anobva abuda pamba peshamwari yake ndokunopinda mumota make
ndokurova road akuenda kumba kwake ,ari munzira kuenda anoti rega ndimbo fonera mukadzi
wangu Chipo ndimuudze kuti ndakuuya manje , achiedza kufona phone yaChipo yaitoramba , Brian
anobva aita hasha ndokuti * ndikasvika kumba ndoda kumbono netsana naye kuti why phone
akaidzima nxxxx.

END OF CHAPTER 19

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 20

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

*Brian ari munzira kuenda kumba kwake anoti rega ndimbofonera mukadzi wangu Chipo
ndimuudze kuti ndakuuya manje , Brian achiedza kuphona ,phone yaChipo yaitoramba ,Brian
anobva aita hasha ndokuti- ndikasvika kumba ndoda kumbono netsana naye kuti why phone yake
yakadzima nxxxxx*...Brian anobva arova mota yake papera 10 min ari muroad , anobva azosvika
kumba kwake ,ndokupinda mugate ndoku paker mota yake ,anobva aburuka mumota aka futa
nehasha dzekuti nemhaka yei phone yaChipo yanga yakadzimiwa ..nhasi anonondiona mumba
imomo. Brian achipinda Mumba ndoku deedzera nehasha achiti* *iwe Chipo huya pano
umbondiudza kuti phone basa rayo nderei ,shuwa phone inenge ichimbo dzimirwei. ,kasi wanga
watsamwa kuti zuva rese ranhasi handina kuswera pamba here ? Saka ndozvi ngadzimigwe phone
here izvozvo ,hantie munhu unotanga wavhunza kuti ndanga ndiripi. ,zvisinei huya utaure kuti chii
changa chaka dzimirwa phone*.
Brian anobva asano gara pasofa akamirira kuti Chipo auye kuzo taura chaanga akadzimira phone.
Panopera 10 minutes pasina Chipo ambouya.
Brian anotanga kushamisika kuti kasi Chipo akarara here zvaasiri kana kupindura kana kuuya
,nxxxxx mhosva dzatova mbiri ,yeku dzima phone neye kutoramba akarara iye achihwa kuti
murume asvika,..Rega ndono mumutsa imomo ,
Brian anobva asumuka pasofa ,ndokuenda mubedroom kunomutsa Chipo ,Brian achipinda
muBedroom anoona musina munhu , anobva atanga kushamisika achiti* munhu uyu aendepi usiku
huno...
Nguva iyoyo Brian anotarira pasi ndokuona photo Album remaphotos ake naRutendo riripasi ,,
Akabva atoziva kuti zvato fumuka because iye aiva akariviga saka zvarava pasi kureva Chipo
anenge atoriona chete , eshhh ndaparara manje.
Brian anotanga kuti *eishhh saka Chipo akutoziva kuti ndine mukadzi nemwana eisshh ,paipa
manje koiye Chipo anenge aendepi manje husiku huno* ....
Brian anovhura muwardrobe, ndokuona hembe dzaChipo hamusisina kana1 zvayo , Brian achitarira
pashoe table anoona pasisina kana shangu yaChipo ,...Brian anobva aziva kuti Chipo atiza. (*Brian
ndoku tanga kuti *nhai mwari hamu ndihwiriwo tsitsi here zvandiriwo mwana wenyu wani ,manje
ikozvino ndodi naPeter nhai mwari mumwe mukadzi ndomu wanepi zvino, koiye Chipo maphotos
aya amaona achitsvagei. Manje anga ende nepamusana pezvimaphoto ,ko kuzoti dai aziva zvekuti
aiitiwa bonde nechikwambo aizodi. Aitofa zvee ,,aaaa mwari zveshuwa ini ndine munyama
zveshuwa makandivenga,hayas hameno ikoko*)
Brian anobva aenda musitting room ndokusvika achizvikanda pasofa uku pfungwa dzichida
kuputika nekufunga ,Brian agere pasofa kudaro anoona kapepa kaiva paside pake ,anobva akatarisa
ndokuona kakanyogwa . ,anobva akanhonga ndokutanga kukaverenga ,kapepa kanga kakanzi
*Brian pamwe dzimwe nguva muhupenyu kusaziva mwari koparira ,ufunge ndakaita mistake
hombe kuwanikwa newe but zvisinei zvese zvezvikwambo ndava kuzviziva ,unoita basa rekurora
vana vevanhu uchivaita vakadzi vezvikwambo zvako ,kutaura chokwadi ndagwadziwa nezva
wakandiitisa Brain ,ende ndonamata kuti mwari dai vakakupa chidzidzo chausingafi waka koshiwa
muhupenyu hwako hwese ,shuwa kutora ini naRutendo uchitiita vakadzi vezvikwambo zvako
Amen,
Kundiita mukadzi wezvikwambo shuwa ,please please please please ,usa chanditswaga ini nezvako
zvatopera ,thank you for making me mukadzi wechikwambo ,God bless you*
Brian achiona izvi muviri wake unobva watanga kupisa ,achihwa ropa richiita kumhanya mumuviri
wake wese ,Brian anobva atanga kubuda ziya uku hana yake ichiita kubika manhanga ,
Brian anga akunetseka manje kuti Chipo zvinhu zvese zvezvikwambo akazviziva sei ,eishhh ko dai
akasanoudza vanhu , because akaudza vanhu zvikazosvika nekuna Rutendo ndinga nyare shuwa
ndingazo nyarire pai.
Ayas better ndimborara ndimbo seredzera stress because ndikaramba ndakamuka ndoto zoguma
ndato zviuraya ,
Brian anobva arara pasofa ipapo achizama kumbo bvisa pfungwa nekufunga way forward sezvo
zvinhu zvamira nedivi ...

Ava makuseni kwatoyedza ,Brain akatofa nehope aka tokotsira zvake pasofa rake, Brian ari kuhope
kudaro anohwa paside pake pachisvika munhu .
,Brian anobva amuka nefast achifunga kuti ndiChipo adzoka,, ,
Brian nguva dzaanotarira kuti aone ndiani , anoona munhu wacho akazvivhara chiso chake ,munhu
uyu akaputira muviri wake wese nemadende ,kumeso kwake akapfeka chimufananidzo cheGudo
,chinhu ichi chiri (chigure) *
Brian achiona izvi anobva avhunduka ndoku sumuka pasofa paye ,anobva ati zano guru kutotiza
nehupenyu hwangu, Brian anobva atendeuka ndokurova speed yembwa nhatu akanaga
mubedroom ,ano svika achipinda mubedroom make ndokuzvikira mukati imomo achiti pamwe
ahwanda chigure ichi,
Papera zvima seconds ,anohwa madziro emu bedroom umu achi zungunuzika, Brian anobva atarira
pamadziro ,ndokuona chigure chiya chikupinda nepamadziro chichi mutevera mubedroom
imomo ..Brian achiona izvi ,akashamisika kuti chigure chopinda nyango nepamadziro. Brian
anobva abuda mubedroom umu arispeed akananga kumota yake, anosvika ndokuvhura door
remota ,ndokupinda mukati ,ndokuvhara madoor ese ,ndobva amutsa mota kuti atize chigure
ichi, ,,nguva dzaanoti aise mugear reReverse , anoona Chigure chiya chakagara paside pake
chichitoseka,, ,Brian achiona izvi anopererwa , ndobva ati better nditize ,achida kubuda mumota
umu ,madoor anotanga kuramba kuvhurika ese, ... BRIAN anobva aona kuti pashata hapachina
kwekutiza ndichienda ,ndavharigwa mukati muno , Brian anobva atanga kuchema achihwisa tsitsi
achiti* *sorry vaChigure ,ndakakutadzirei ini ,musa ndiuraye ndokumbirawo ruregerero mukuru
wangu ,handina chandoziva ndingoriwo kaBrian kaka zvarigwawo nhamo ,musandiuraya pliz,
handikuzivii ndiregererei , pamwe mauya kumunhu asiri iye ,ndihwireiwo tsitsi* ,Chigure chiya
chotanga kutaura chichiti. *mazuva maviri ,mazuva maviri ,mazuva maviri ndiwo andinokupa kuti
udzosere mwana wangu Tanaka njere dzake dzawa kamutorera ,muchi mushungurudza
nezvikwambo zvako pano... mazuva maviri akapera mwana wangu asina kuwana pfungwa dzake
,Hondo yati noita ipapo handifunge kuti ungararame ,kana uchida kuiona Hondo yacho regera hako
kudzorera mwana wangu Tanaka njere dzake**..Chigure ichi chapedza kutaura izvi chinobva
chanyangarika ,, nguva dzino nyangarika Chigure ichi.. , Brian ano Sara achizvivhunza kuti *hoo
ndivo baba vaTanaka ava , maihweeee this time ndazo zviparira shuwa ,ndatamba nezvisinga
tambiwi nazvo eisshh apa pakutoda Rutendo apindirewo shuwa*

Rutendo ko zvawaiti une nyaya yaunoda kumbo ndipakurira wani zuro ,sei musina kuzo
ndipakurirawo asikana shuwa shuwa ndichingori pahanged up ,sehembe iri pa waya kkkkkk ,ava
ndiMai Ticha vaitaura naRutendo vagere zvavo mumba vachiona channel ye (yadda ) zvavo.,
zvisinei Rutendo anobva apindura achiti *
(Rutendo)* aaaa sisi ko hantie ndakakuudzai zuro kuti kana mapedza kugeza mugo ndifungidza
ndigo kuudzai ,manje imi hamuna kundi fungidza saka yatova old news kkkkkk
(Mai Ticha)* aiwa asikana nyaya haiiti old ,zvaka fanana nemanovels atoverenga aya ,akawanda
acho anenge ari ekare but chikonzero chekuti anonakidza ndikosaka tichiramba tichi ngomaverenga.
Saka nyaya yacho ngai taugwe ndaka toterera zvangu.
(Rutendo)* kkk ,nyaya ndeyekuti , nezuro muchangobuda kuenda kutown nevana ,Vincent akasara
achisvika, apa nguva dzaakasvika , akatosvika ndiri panguva yendangariro dzangu naBrian
ndisingatodi kuvhiringidziwa, Saka paakasvika ndakaita hasha kuti munhu anondi kanganisa kuita
ndangariro dzangu shuwa, , ndakabva ndaenda kugate kwaari apa ndaka enda ndaka bipper nehasha
zvekuti aizondi guta ,ndakasvika paari ndikamuti ukudei kwandiri please ,leave me alone ,iye
ndobva apindura zvinyoro nyoro ,achiti ndanga ndakuvigira phone iyi sezvo ndakawa uchiti hauna
phone ,ndakada kuiramba but moyo waka gwadza , iye paakandipa phone yacho akabva
atoenda .. ,moziva Mai Ticha ndakabva ndaita weak moziva , nyango Brian haasati ambondiitira
surprise yakadaro muhupenyu hwangu
(Mai Ticha)* yoooo inga mukomana uya anerudo newe ,saka iwe unofunga zvipi pakati pako
naye ,please ndiudze shuwa am your sister
(Rutendo)* iiii ikozvino kutaura shuwa Brian achiri mupfungwa dzangu ,but chandoona pana
Vincent ane future muhupenyu , asiyana nanaBrian,
(Mai Ticha)* ok tione phone yawa katengegwa yacho ,.. *Rutendo anobva atora phone iya
muhandbag make ndokusvitsa Mai Ticha*
(Mai Ticha)* arrrrr Samsung galaxy n7 ,aaa Rutendo phone iyi inodhura inoita *$1,800 kuEcconet
shop , eee phone idzi dzoshandisiwa nanaMugabe varidzi venyika vane mari dzavo ,aiwa ndapa
kutenda shuwa mupfana uya anenge ane zvinhu zvake , kukuudza shuwa Vincent anokuda zvikuru ,
(Rutendo)* iii maita basa henyu sisi , but imi yenyu iyi ndiyo yemhando , ziphone renyu handisati
ndaka mboriona rine munhu ,kunze kweku ngoriona paTV
(Mai Ticha)* kk yangu inodhura haiwanike muno ,yakatobva kuU.S.A , ...Rutendo asikana chimirai
ndino bika nhasi duty nderangu ndoda kumbo natso kukubikira zvandoda kuti ugozo bikira Vincent
kana makugara mese kkkk , Mai Ticha vanobva vasumuka ndokuenda kukitchen kuno bika ,
Rutendo anosara achinyemwerera ndoku enderera mberi nekuona channel ye (yadda)* agere nevana
vake Bhule nemukoma wake Tichaona ,

Nxxxx vaBanda vano bhowa stereki maitiro avo, shuwa kurapa vana vevamwe vanhu inumber 1
chaiyo but comes kurapa wavo Tanaka vari kukonewa apa ndivo futi vaka mumanikidza kuenda
kubasa kwacho ini ndaive ndaramba nekuti ndaifemegwa nemidzimu yangu, Baba Tanaka vanenge
vakuhwira Brian wacho tsitsi ,ini ndotoda kuti Brian wacho apengewo ,ende varikunonoka futi
kugwa hondo kwacho ,Brian wacho acha guma afa asina kudzosa pfungwa dzemwana wangu ,
nxxxxx zvimwe zvinhu zvopedza power ende zvakuda ndishandise pfungwa samai vemwana, saka
apa sezvo vaBanda vaenda Ku(Globe ) kumutambo yavo yezvugure ,vachadzoka manheru ,saka
sezvo vasipo kudai ndatowana mukana chaiwo, rega ndiite zvinhu zvangu secret ,ndiende naTanaka
kwa *Madzibaba Eriya*, ambono shandigwa pamwe zvinga ngoite (AVA NDIMAI TANAKA
VAIFUNGA IZVI)* Mai Tanaka vanobva vapfeka matenesi avo ndoku nosunga Tanaka netambo
muchiuno kuitira kuti asazotize uye kuiitira asazo netsane nevanhu muroad ,
Mai Tanaka vapedza kumusunga vanobva vatopinda naye muroad vakananga kwa *Madzibaba
Eriya* ,kufamba naTanaka raitova busy nekuti Tanaka anenge achida kudzingirira vanhu nekuda
kudriver zvitina ,saka mai vake vaitopinda busy yeku mudzora kuti asaite izvozvo ,pasina chinguva
vanobva vazosvika kwa, *Madzibaba Eriya* vanosvika ndoku bvisa shangu ndokuno pfugama
paCrawa , *Madzibaba Eriya* vanobva vasvika ndokuti *mama magona maka touya pano nekuti
ndaiva ndakatokuonai pamweya kuti mukushushikana nemwana uyu akarohwa nezvikwambo
zvekumba kwaaishanda ,but nyaya iri pano ,ndaudziwa namwari kuti munhu one anokwanisa
kuponesa mwana wenyu mukadzi anonzi Rutendo , ndiye ega ane Simba racho saka zvava kwamuri
kufuka kana kuwarura ,zvisinei ndisati ndadzokera mune muvhunzo here*
(Mai Tanaka)* hwongu one muvhunzo ,eishhh manje Rutendo wacho ndomuwanepi shuwa
madzibaba ,, hamuoni ndingoriwo chembere yapera manje ndomuwanepi Rutendo iyeye ,akaita sei?
(Madzibaba)* oyi katombo aka ,mokaisa muvhura inomwa mwana wenyu ,muchaona zvinenge
zvichiitika motevedzera gwara racho ,,
(Mai Tanaka)* maita basa regai ndidzokere kumba ndinga zowane vaBanda vadzoka ,ndikauraiya.
(Mai Tanaka vanobva vatora mwana wavo ndokudzokera kumba kwavo but zvinhu zvavo vaiizviita
secret because Baba Tanaka vanga vasingadi zvemaPositori)

(MASTER MASTER KWECHU) ,ava ndiPastor vaiva mutoilet mavo , paGlass ravo vachidana
Master ,, nguva iyoyo Master vanobva vabudikira paGlass riya ndokuti * wandidana ka ,ndauya
tura tiwe.
(Pastor)* eishh Master sorry zvenyu ,ndakudanai nguva dzisiridzo ,but ndine nyaya yandoda
kukudzai nyaya hombe,
(Master)* inyaya yei
(Pastor)* vana vangu vari kumuka zvipoko ndaka vaona zuro chaiye manheru ,vari mubedroom
mangu, apa mukadzi wangu aiita aka mbovarota futi
(Master)* ko wakaita zvanda kakuudza here zviya ?
(Pastor)* zvipi izvozvo ?
(Master)* hantie ndaka kuudza kuti musi wawa kaviga vana vako ,unofanira kuisa ropa rako
pamusoro pecoffin ravo ,kuti vasazo muke zvipoko ,saka wakazviita here izvozvo ,
(Pastor )* eishh Master ndaka kangamwa kuisa ropa racho ini ,handina chanda kamboisa INI
(Master)* maihwee wakatoita mistake hombe ,wani ndaka kuudza ,ikozvino zvakunetsa manje. Ini
hapana chandoona unoziva kuti handisi munhu nditori mweya,
(Pastor)* iiii todi manje ,eishh ndaka zozviparira manje , ok saka tozotaura Monday kugathering
,rega ndiwone ndodi , ..Master vanobva vanyangarika ,, Pastor ndokuviga Glass ravo ,ndokubuda
muToilet voenda kuchurch kuservice.

KumaPast 5pm kwakunovira ,Brian achibuda mukitchen akananga musitting room ,achipinda
musitting room anowana Chikwambo Peter chakagara pasofa chakatsvukisa maziso nekufutisa
matama chakatsamwa , ,,Brian anobva ati *nhai Peter zvakatanga rinhi zvekuti unouya muroom ino
uchigara , hauzivi kuti vanhu vanogona kungopinda wakagara ipapo zvinhu zvaka fumuka zvese*
(Chikwambo Peter)* shamwari hapana chaunotaura ukuhwa ka, ndikutoda kuti vandione
,zvaukutaura idondo iro ,wakadzinga vakadzi vangu vese Rutendo naChipo ,saka ukuti ndorara nani
manje heee ,apa zuro ndakarara nenzara pasina wekuita Bonde naye ,izvezvi kwakutovira apa zemo
rakandizarira izvezvi ,saka tsvaga plan ,ndiwane kutapudza zemo rangu or pasina izvozvo
ndoparadza midziyo yangu yese ,ndosiya yamarry.
(Brian)* aiwa mira ndino tsvaga Chipo. Ndouya naye woita bonde , hantie ka
(Chikwambo Peter)* ngaauye izvezvi enda uno mutora , .Brian anobva abuda ndokunopinda
mumota ,ndobva arova mota akananga kwana Chipo. ,achisvika kwana Chipo anowana kuna mbuya
vacho . Brian ndobva ati kuna mbuya vaya ndokumbirawo kuona Chipo, Mbuya ndokupindura
vachiti *Chipo akaenda kuDubai kuswera zuro kumurume wake*,,Brian anobva angoti zvakanakai
but mumoyo make anga agwadziwa , Brian anobva adzokera ndokuno pinda mumota yake
ndokutanga kuchema achiti *nhai vabereki vangu hamu ndihwiriwo tsitsi here kuma kuva kwamuri
ikoko* ..Brian anobva adzokera kumba uku hana ichirova kuti naPeter nhasi ndono urayiwa shuwa,
Brian achisvika kumba kwake anobva aenda muroom yezvikwambo zvake, nguva dzaanoti
achipindamo ,Peter anodeedzera kuti wauya Naye here chipo nditono ita Bonde izvezvi ,
(Brian)* aiwa haapo akaenda kunze kwenyika saka todi nekuti Rutendo maka muramba kare ,
(Peter)* ok haisi nyaya ndine imwe plan iri nani but tofanira kutozviita izvezvi
(Brian )* arrr better I plan yei iyoyo titsvage zvimwe ,
(Chikwambo Peter)* nyaya yatovapo panapa ndeyekuti ini ndakutoda bonde izvezvi ,saka iwe
uchabvisa bhurugwa wokotama ndokuita bonde racho,

END OF CHAPTER 20

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 21

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

(CHIKWAMBO PETER) *nyaya yatovapo panapa ndeyekuti ini ndakutoda kuita bonde izvezvi
,saka iwe uchabvisa bhurugwa rako ,wokotama ndobva ndakuita bonde racho nekuti ndiwe watova
mukadzi wangu*..Nguva iyi Brian achihwa izvi anobva abata musoro ndokuti eishhhh ,inini kuitiwa
ngochani nechikwambo aiwa kana, murume akaita seni kuita mukadzi wechikwambo aiwa bodo
aaaa kwete hazviiti ,Marry akandi parira ngozi vakomana ndiye akauya naPeter pano, chionai
ikozvino Peter uya zvaakuda kundiita* Brian anobva apindura Peter achiti ,
(Brian)* Peter hazvikwanisiki here ndino kutsvagira umwe mukadzi kubhawa ,kana kuti uite Bonde
naMarry zvirinani ,iwe hauoni kuti shuwa isu tese tiri varume hatingaite ngochani ,
(Chikwambo Peter)* Brian shamwari uku tondinonokera dai izvezvi ndakutopedza round rekutanga
, plus handingarare naMarry nekuti haasi munhu ,kana ndikarara naMarry ndinofa nekuti Marry
chikwambo ,asi dai ari munhu ndairara naye manje zvaariwo chikwambo hazviiti ,ende
handingarari nemahure ekubhawa andisingazivi nezvawo uye andisingazivi kwaanobva ,pamwe
vamwe vacho vemahure iyawo ndovanofamba vakarindiwa nengirozi ,sezvaingoita hure rako
Rutendo hantie raifamba nengirozi , ende iwe unoziva ini nengirozi takarimirana muganu saka
zvemahure handitodi kuzviwa ,,iwe chitoita uchibvisa bhurugwa ukotame ndiite basa ndirare ini, *
*nguva iyoyo Chikwambo Peter chokurura Bhurugwa racho chakutoda bonde ,, Brian anotarira
Peter achikurura bhurugwa ndokuona ziSikarudzi racho hari tsananguriki , rese iri richipinda
kushure kwangu arrrrr* ..Brian anobva ati*
(Brian)* Mukadzi wangu Marry hona Peter zvaakuda kuita murume wako,
(Chikwambo Marry)* Murume wangu Brian chingobvisa Bhurugwa ukotame , dai Peter akutopedza
so , ..nguva iyoyo Peter kano tanga kufamba kachitoenda pana Brian kuno mukotamisa kuti
kachitanga bonde , *Brian paanoona kuti ndaku vingiwa naPeter ,Brian anobva abuda muroom umu
achitiza ndokunopinda mumota yake ndokuenda kumba kwaDaniel*

*Daniel akarara kumba kwake usiku anohwa noc paDoor , Daniel anobva atarira nguva paphone
ndokuona dzichiti 23:00pm , Daniel anobva ashamisika kuti ndiani anondi nokera door nguva dzino
iyeye nxxxxx* , Daniel anomuka ndokuburuka pamubheda akananga kudoor kunoona ndiani
,,achisvika padoor anobva atanga adongorera kuti aone ndiani arikunoka , time yaano dongorera
anoona ndiBrian ,,, .Daniel anobva avhura door riya ,asati anatso pedza kuvhura door, Brian anobva
apinda mumba maDaniel aribara ,ndokuno zvikanda pafloor uku achifemereka zvikuru,, Daniel
anobva anotarira umwe wake ndokuona achifemereka uku achifemera pamusoro ,,Daniel anobva ati
,
(Daniel)* aaaaa ko Brian kwakanaka here shamwari kwau nongopinda Mumba mangu uchimhanya
zvakadai ,hamusi mubhawa kamuno.
(Brian)* haaa hapana kumira mushe shamwari ,ndikutokuudza so zvakatooma,
(Daniel)* chiiii chikunetsa kasi Chipo akumamisa here kumba ikoko?
(Brian)* shamwari yaChipo ndeimwe, imagine chikwambo changu chiya chandaikuudza chinonzi
Peter ,chikuda kundiita ngochani kutoda kundiita Bonde kushure kwangu shuwa ,manje aiwa kwete
ini Brian handingaiti izvozvo bodo ndaramba.
(Daniel)* kkkkkkkkk hohohoho kuti hauna kutoitiwa kare here iwe ,kkkkkk zvakakuomera
shamwari ,saka iwe ukuda kuti ini ndidi manje .,uye iwe wadi kubvuma ,chiona ikozvino wakuti
konesa kurara,
(Brian)* aaaa unoti ndinga bvume izvozvo here ini ,nyango dai uriwe waibvuma here ipapa nxxx,
manje ini handiiti izvozvo ,pachatotaura nyaya dzekurara neni ndabva ndato tiza ndichiuya kuno
kwauri bururu wangu ndichiti pamwe ungandi batsirewo manje iwe wacho ukuto tsigira chikwambo
kuti chindiite ngochani ,
(Daniel)* shamwari handisi kutsigira chikwambo ende chandi ngakubatsire nacho ka ,ndokupa
pekurara kwanhasi chete ,kana ava mangwana wodzokera kumba kwako kopedza nyaya dzako
wega nezvikwambo zvako
(Brian)* haa thanks shamwari ndicha torara ndichifunga zano because pakaipa apa.
(Daniel)* aaa iribho but ukurara pasofa iro tsaru,ndicha nokuvigira jira rekufuga ,but ndoda
kukudza chinhu 1 usati warara ,kuti ukaramba kuitiwa Bonde nechikwambo ichocho ka,
chichatsamwa uye chikatsamwa uchabroker zvinhu zvese chinosiya chaparadza choenda chokusiya
wava tsuro yemubook inofamba nemaPage ,saka funga kaviri ...Daniel anobva aenda kunotora Jira
rekuti Brian kuti afuge , ..Brian anobva asano gara pasofa raanzi arare , zvisinei pasina chinguva
Daniel anodzoka nejira ndokubva apa Brian ndokuti shamwari remember ukurara kwanhasi chete
chitora jira iri ufuge , Brian anogamuchira jira Riya ndokufuka ndokuti * waita bhoo shamwari ,,
Daniel anoti *never mind ,,, anobva adzokera mubedroom make kunorara

HUSIKU UHU MAI TICHA VAKARARA KUMBA KWAVO VANOTANGA KUROTA


,vachifamba musango vachifamba mukamukoto apa huri husiku hameno kwavaibva ,zvisinei vari
pakati pekufamba muchimukoto ichi ,vanoona rupasa rwanga rwaka waridziwa pasi rwakanyogwa
kuti open pliz ,rupasa urwu rwanga rwakanyorwa neropa ,mai Ticha vachiona izvi vanotanga
kurohwa nehana but vanobva vazvishingisa ndokubva vadhonza rupasa riya ndokuona varume
vaviri zvutunha zvaive pasi apa , pavanoramba vakatarisa vachi cherechedza kuti ndivanani
vanoona zvitunha izvi vari vanaBrian naVincent ,nguva iyoyi vatanga kuridza mhere ,,, MAI
TICHA MUKAI ,MAI TICHA MAI TICHA MUKAI ,UYU NDIRUTENDO AIVAMUTSA,
zvisinei vanobva vamuka , ,Rutendo anovhunza achiti* chiii sisi kasi mabatiwa nemadzikirira
here ,,
Mai Ticha ndokuti* umm don't worry i think its just a Bad dream ,
Rutendo ndokuti* aaa saka huya timbo namata pamwe mweya yetsvina irikutenderera Mumba
muno
*Rutendo anotanga kunamata achiti *baba vangu ,tenzi wangu ,jehovha wehondo ,mwari
wemunana ,mwari mukuru mukuru ,ndokunamatai baba vangu nguva ino ndichikumbira ngirozi
dzedenga dziuye kuzo tichengetawo husiku huno Amen ,..vapedza kunamata vanobva vadzokera
kunorara , husiku uhu Mai Ticha havana kuzorota hope dzakashata futi,,,

Ava makuseni Rutendo anomuka ndokutanga kutsvaira mumba neruvazhe ,apedza kutsvaira,
anobva abikira vana vake bota ,apedza kuvadyisa porridge,anobva aenda kuno geza , pasina
chinguva ano pedza kugeza ndokunogara zvake musitting room ndoku tanga kubaya phone yake
yaaka tengegwa naVincent ,.nguva yaibaya phone iyi anobva afunga kufonera Mai vake kuti ava
taurire kuti ava nePhone saka vakukwanisa kugara vachitaura, zvisinei anobva ava fonera , pasina
chinguva inodavigwa,
(Mai Rutendo)* aaa hallo mwana wangu, ndiRutendo here uyu aphona ,,aiwa tisati taenda kure
thank you God so much sure. Mwana wangu urimupenyu baby ndanga ndakutotya unoziva I love
you so much my daughter more than anything , oo kiss iyi (mwaaaa) , nhasi ndafara sure cwtyhrt,
(Rutendo)*kana neniwo ndafara mama but musanyanyo ndityira mama ndochengetewa namwari
wangu.
(Mai Rutendo)* aiwa thank u God kanhi .ndafara ndataura nemwana wangu , mwana wawakazvara
akakosha 9 months ari mudumbu ,mwana wangu ndokuda zvikuru ,ko sei phone yako yairamba
kupinda all along ,kusanganisira neye mukwasha wangu ikuramba futi ,Baba vako vatori worried
so.
(Rutendo)* about me and Brian ,mama its a very long story isi ngatombodi kana kutaugwa paphone
inotoda kutaugwa takagara chaiko ,but don't worry about me I am fine ,ndiku chengetewa nenyasha
dzamwari, Saka mouya rinhi mama vangu, ndikukudai paduze ini arrr shuwa ndoita senherera ini
vabereki ndinavo,
(Mai Rutendo)*Rutendo usataure uchidaro uno ndichemedza ,, baba vako vadaniwa makuseni ano
kumeeting kubasa kwavo so I think meeting iyi vanoda kudzosewa kuZim kuti vazo shandira ikoko,
Saka ndichakufonera ndokuudza kuti zvakamira sei mangwana hantie, let's just pray zvigoita
kubasa kwavo.
(Rutendo)* ok thank u mama Rutendo I love you so much mama, mugo mhoresa daddy.
(Mai Rutendo)* me too my Daughter ,I love you so much, umhorese muzukuru wangu .umuudze
kuti Gogo vanokuda zvikuru...,sezvo wati about Brian its a long story ,handicha mukwazisi futi
kusvika ndaziva long story yacho ndeyeyi..,nekuti ndogona kukwazisa munhu akato ramba mwana
wangu kare ,.
(Rutendo)* a kana mama ,ok mozo ndifonera mondiudza kuti meeting yacho yacho yazonzi chii,..
mama kwai naBhule ndoda Yoghurt,kkk
(Mai Rutendo)* ok ndoka tengera ndauya.. ,bye bye mwanangu, *Mai Rutendo vanobva vadroper
phone,, Rutendo anotanga kuti thank you God nekubata kwamoita muhupenyu hwangu ,, ishe
pamunondi komborera musa kangamwewo murume wangu Brian Amen,. Rutendo anobva afano
kuona maGospel channels paTV zvake aka mirira Mai Ticha vadzoke ,sezvo vanga vamukira
kutown*

Mai Ticha vari mumota yavo vari munzira kudzokera kumba kwavo, sezvo vanga vapedza
zvavanga vachiita mutown ,vari munzira kudaro vano tanga kufunga nezve hope dziya dzava karota
zuro madeko.. ,ndokuti rega ndimbopaker mota paside peroad nekuti ndikaramba ndichityaira ini
ndichifunga zvakadai ndogona kuguma ndapinda mune dzimwe mota ,zvisieni Mai Ticha vano
paker mota yavo paside peroad ,ndokubva vatanga kufunga nezvehope dziya vachitaura
mupfungwa dzavo vachiti *aaaa kurota Vincent naBrian zviri zvitunha ,zvinhu izvi zvomborevei
nhai mwari hope dzotyisa dziya dzino mbobvepi ko ,manje chonetsa ndechekuti hope dzandorota
kazhinji zvinhu zvacho zvinoitika ,saka idzi hope dzikureva kuti Brian naVincent vachafa here
,kkkkk aiwa azviiti hope idzi ndedzenhema because how come vanofa nei ,dai zviri zvinhu
zvinozoitika ndaifanira kurotesewa nechinhu chacho chinenge chava uraya ,manje zvandisina
kuchirota ,zvoreva kuti hope idzi ,dzenge hope dzekuti pamwe ndaiva ndanakigwa neJira sezvo
mazuvano kune kachando so ,Rutendo handi ngamuudze hope idzi nekuti akanga tofunge kuti
pamwe ndino gwadziwa naVincent wake. ,, but kazhinji zvandorota ini zvino wanzo kuzoitika ,
same same netsaona yakaita vana vekuChurch ,hantie ndanga ndairota ,kkkk but idzi dzanda zorota
ndedze mufirimi ,arrr rega ndiende kumba kwangu ndikuto zvitongesa nezvinhu zvisina basa* .Mai
Ticha vanobva vamutsa mota yavo, ndokuenderera mberi nerwendo rwavo vachidzokera kumba
kwavo..

Papera some minutes ,


*Rutendo agere mumba nevana vake vachinamata zvavo ,apa mai Ticha vanga vasati vasvika ,
Rutendo agere mumba anohwa noc padoor ,,Rutendo ndoku sumuka paanga agere achienda kuno
ona ndiani akunoka, .Rutendo anosvika padoor ndokubuda panze ,, anoona ndiVincent anga
achinoka,,,.. Rutendo anobva afara ndokuti*
(Rutendo)* ko kurova Vincent chiii ,hauna kana kuzombofona kuti ndisave number dzako muphone
yawa kandi tengera why?
(Vincent)* ooo eish, I am so sorry sha ,but remember hausati wandipa number dzako kana
kundiudza Zita rako zvaro,
(Rutendo)* haisi nyaya , saver muphone mako number dzangu i.0772354321, save kuti Mai Bhule
or Rutendo.
(Vincent)* thanks ndasaver kuti Rutendo. ,shamwari ini handisi kugara ,ndikuda kukusira $400 iyi
ugo tenga zvaunoda pliz take it ndikukupa nemoyo wese pliz usairambe ,gamuchira pliz
(Rutendo)* Vincent shaa ,mari kwete handi gamuchire mari kubva kumurume asiri wangu, sorry
zvako uchazondipa next time hantie ,ichengete hako uchazondipa rimwe day risiri nhasi ,
(Vincent)* shaa usadaro ,ndikukupa nemoyo wese wani, , eissh ok ,haisi nyaya hayo rega ndiende
because ndato nonoka, but if need anything uno ndiuudza usazesa kunditaurira hako. ,ndanga ndati
mari iyi ino kwanisa kungo tengerawo mwana wako machips wosarawo nechange,, zvisinei rega
ndiende zvangu, Chero zvako wairamba mari yangu ,, .Vincent ano tendeuka ndokutanga kufamba
achienda kumota yake ,, ..Rutendo akatarira Vincent achienda ,moyo wake unogwadza zvekare
anobva adedzera achiti* Vincent mira ipapo ,,Vincent anobva amira ,, Rutendo ndokuenda kuna
Vincent , paanosvika pana Vincent anobva amumbundira ndokutanga kumukisa ,vaviri vanotanga
kukisana kiss iya yemuTV yekuti munenge muchidyanana muromo (tongue to tongue) ,Rutendo
apedza kukisa Vincent, vanobva varamba vakatarisana ,,Vincent ndokuti * Rutendo i i i love you so
much am sorry to say this but I love u , ,, ..(Rutendo ndoku pindurawo achiti* i think I love you too
but will think about it zvakanaka and will tell you, ..Vincent anobva akisa Rutendo ndokuti thank
you hun ,ndakuenda kubasa ndokufonera manheru ,,..Vincent anobva afamba hake ndokuno pinda
mumota yake ndoku enda kwaai enda ,, ,Rutendo anobva adzokera mumba ndoku nogara hake
akamirira Sisi vake..

Mama mvura yamakandipa iya ,yamakanzi namadzibaba mundipe ,muno mboziva kuti inonaka
here ,,,regai ndimbodriver bhazi rangu ndimboenda kuHillandale pahouse number 7 ,ndimbonoona
Rutendo ,ndodzoka mai manje ,, uyu NDITANAKA AIUDZA MAI VAKE IZVI. TANAKA
ANOBVA ATORA CHIDHINA CHAKE NDOKUTANGA KUDRIVER ,,HAMUU HAMUU
PIPIPI TIKUNEDA KWARUTENDO HAAMU HAAMU HAMUU PIPI ,VHURIRAI NZIRA
BHAZI RIPINDE HAMU)
(Mai Tanaka)* pavanowa mwana wavo achivaudza izvi ,vanobva vati yes Tanaka zvaataura apa
ndazviwa ,ati kwanzi ndakuenda kwaRutendo ,kuhillandale pahouse number 7 , saka pamwe
ndogwara randainzi ndofanira kutevedza namadzibaba , saka haisi nyaya rega ndinyore house
number iyi pabepa, ndozo taimira Saturday vaBanda vaenda kumutambo yavo yezvigura
,.Vachingobuda chete kuenda kumutambo yavo iyoyo. Ini ndobva ndabudawo ndoenda kunotsvaga
Rutendo wacho, ndongonamata kumudzimu yangu kuti dai vaBanda vakasazviziva ,nekuti izvi
ndikuto zviita vachida vasingade ,pane kuswera ndichiona mwana akanaka saTanaka achi
shungurudzika ini mai vake ndiripo ,Bodo hazviite..
*Mai TANAKA vanobva vaenda mumba kuno nyora house number iya pakabepa ,kuitira vasa
zoikangamwe*

*Brian shamwari ungati kuitawo here uku kwaukuita shamwari ,hona pava nenguva chiita uende
kumba kwako shamwari because zvikwambo zvako zvino zofunga kuti pamwe ndini ndaka
kuhwandisa kuno ,ukazo ndiurayisa ini ndisina mhosva ,saka iwe imbonotanga wapedza nyaya
dzako first ,wozodzoka tonatso tandara zvakanaka ,(UYU NDIDANIEL AITAURA NABRIAN)*
(BRIAN)*haisi nyaya sha rega ndoona kuti ndodi ,but shamwari hupenyu hwekuromba uhu hauite
kutaura shuwa ,,unoziva mukadzi wangu taidanana zvakanaka ndichiri kudriver maTaxi ,iyo yangu
yekukara mari yakabva yandiputsira imba yangu ikozvino mhuri yangu iri musango nekuda
kwezvikwambo ,shamwari ini ka ndakungoti chero zvazvaita ,hapana kusiri kufa
(Daniel)* kunonzi kurumwa nechekuchera baba. Ini ndakuda kumbobuda ndoda kumbonoona
vabereki vangu ,saka tenge taku tozoonana manheru ,...Brian ndokuti *iri bho shamwari but kana
wakangowawo kuti Brian afa wobva waziva ndauraiwa nechikwambo nenyaya yekuti ndenge
ndaramba kuitiwa ngochani ,,Brian anobva abuda Mumba maDaniel ,ndokuno pinda mumota yake
akananga kumba kwake ,but Brian ari muroad aiiziva kuti maoption aanawo maviri ndee kuitiwa
bonde nechikwambo mari yoramba ichiuya ,imwe ndeye kuramba kuitwa Bonde naPeter
,ndokupera kunoita mari yese kaone* Brain arimumota make kudaro anohwa phone yake ichirira
ringtone yemassage ,Brian anobva atarira ndokuona yakanzi from Rutendo ,Brian anobva
aivhura ,massage iyi ndoku iverenga yanga yakanzi..

END OF CHAPTER 21

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 22

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

Brian arimumota make kudaro anohwa phone yake ichirira ringtone yemassage ,Brian anobva
atarira paphone yake kuti aone ndiani asenda massage iyi ,zvisinei ndokuona massage yacho
,yakanzi from Rutendo ,Brian anobva aivhura ,massage iyi ndoku iverenga yanga yakanzi.. *Hesi
hako Brian ,hurisei hupenyu hwako nemukadzi wako ,Brian chandoda kukudza ndechekuti ,moyo
wangu waku zobvutiwa manje ,chenjera nguva yako yaku zokuperera manje ,uva nezuva rakanaka
bye mwaaa,* ..Brian apedza kuverenga massage iyi anotanga kudambuka nekuseka achiti* kkkkkkk
iro hure iri ringa ndiudze kuperegwa nenguva. Kasi rofunga kuti ndiri desperate here ini ,pamwe
rofunga kuti rinoshamisira here. ,rinofunga ringadiwewo nani ,ndiyani angadewo zimvana riya
,nxxxx kundi pedzera nguva yangu. Haasi kuona ndiri busy kufunga zano rekunoita ndasvika
kumba kunaPeter nxxxx ,kuti asarambe achisenda zvima massage zvake futi rega ndimuiise
paBlacklist zvipere ,,,Brian anobva aisa number dzaRutendo paBlacklist, ndobva adziDeleter kuti
asa tombodzione futi muphone yake, apa massage yaRutendo haana kuipindura futi. ,Brian apedza
kudaro ndokubva aenderera mberi nerwendo rwake ,aka nanga kumba kwake.

Pasina chinguva Brian anobva asvika kumba kwake ,ndokupinza mota yake muyard ,apedza kudaro
ndobva anovhara gate repamba pake, apedza kuvhara gate ,ndokubva aenda mumba , achipinda
mumba anosvika ndokugara pasofa ndoku tanga kuchifunga final solution ,uku pfungwa dzake
dzichi pikisana dzichiti. *manje apa zvanda jaira kurarama hupenyu hwemari ,zvanda jaira
kuchinjanisa mota type netype ,zvanda jaira kubata $100 000.00 every month ,saka apa kureva kuti
kana ndaka ramba kuterera Peter zvinhu zvese zvino pera kusara ndava tsuro yemubook yataugwa
naDaniel iya ,. esihhh saka manje apa ndoitiwa ngochani here ,kuti ndirambe ndichiiwana mari
,,ummm but kuitiwa ngochani nechikwambo kuno netsa nekuti ndogona kuzobata mimba zvika
shura muraini ,kuti murume aive waRutendo ava nemimba ,zvinhu zvemushonga zvagara
zvonetsa , aaaaa haya saka apa ndodi ,because handinga dzokere hupenyu hwekutambura uya.
Ndinga sekewe nevanhu ,haa ndapererwa manje ,handi chazivi ndoita zvipi*
Nguva iyoyo Brian ari pakati pekufunga izvi ,Peter kanobva kangobudikira kagara pasofa paside
naBrian , (chikwambo Peter) ndokubva kati *zvaukufunga zvese ndikuzviziva ,ende nhasi i last day
rako rekuti undipe bonde ,kana ukasandipa Bonde ,mangwana makuseni na6 ini naMarry tinomuka
tisipo pano ,taenda hedu ,but kuenda kwedu toenda nesimba redu rose rata kashanda tosiya zvako
,saka iwe funga nezvavo ,but Bonde ndikutorida nhasi sekutaura kwandaita ,saka nyango ukatiza
ukaenda kwaDaniel kwawakarara zuro , but pauno dzoka mangwana makuseni unowana taenda ,,,
(Brian )* manje wandi omesera apa ,wani ndakati ndokutsvagira vekubhawa ukati hauvadi ,ndakati
rara naMarry ukati haudi ,ndikati rara naRutendo wakati ngirozi kudi kudi, saka waukungoda
ndiChipo ,manje unoti ndomu wanepi shuwa ,,haya zvisinei ndaku ngoita zviripo ,saka rega ndiende
kutown ndono tsvaga mapiritsi ekuti ndisa gwadziwe kana waku ndiita bonde racho,
(Chikwambo Peter)* waku taura manje ,saka chito enda unotenga izvezvi ,ende ndikuto kuda pano
maimanje saka woto kurumidza, because uchitodzoka ndikuda 16 rounds dzaka Simba because
ndagarisa ,, Brian ndokuti ok ,,anobva asumuka Brian ndoku nopinda mumota yake akananga
kutown kunotsvaga mapiritsi aya ,,..

Brian ari muroad kuenda kutown ,apa anga ave muHighway, Brian ano ona vamwe Rasta vaifamba
netsoka muka dusty road kepa side peHighway ,,Brian anotarisa Rasta ava ndokuona vakasenga
zvitsvimbo zvipfupi nemapfumo matatu ,Rasta ava vachiratidza kuti munhu wema svikiro, uku
tsoka dzaRasta dzine huruva kuratidza munhu abva kure achifamba netsoka, apa Rasta vacho
vachifambisa vakananga kutown ,apa vachiita kuyerera ziya sezvo zuva raigocha,, Brian anobva
ahwa tsitsi ,ndokuti Rasta ava vakashinga nekupisa kwakukuita munhu ofamba netsoka kuchidai
shuwa ,rega ndimubetserewo pamwe mwari vangazo ndionewo hupenyu hwangu huka
gadzikana ,,Brian anobva abuda muHighway ndokumisa mota yake muka dusty road kaya ,ndoku
Mira chaipo paiva naRasta vaya ,Brian ndokuti *Jahman pindai henyu ndono kusiyai kutown
,ndikwo kwandikuenda ndaona munga kuvare nezuva iri. (Rasta vaya vanobva vapinda mumota
maBrian ,ndokugara kufront seat ,ndokubva vati kuna Brian thank you mukoma matogona nekuti
kune kwandi kumhanyira ,zvekuti ndika nonoka ndosvika vanhu vafa ikoko., (Brian ndokuti *haisi
nyaya ,ndaona speed yamanga muchifamba haisi doko ,ko mukumanyirepi?
(Rasta ndokuti)* ini ndiri n'anga ,nguva imwe chete ndiri tsika mutanda , saka ndogara ndiri busy
nebasa rangu ,kutaura kuno ,.,izvezvi ndikuto mhanyira kugweru ,kune Mai vanetsewa
nezvikwambo zvavo ,saka vandifonera , saka ini ndiko kwandi kutoenda kuno pisa zvikwambo
izvozvo , ende Simba rekupisa zvikwambo ndinaro huru ,kubva nditange basa iri ,hapana kana
chikwambo chaka mbondikurira pasimba
(Brian)* arrr saka mune Simba neChipo chenyu mukuru ,ndapa kutenda
(Rasta)* Simba ndine hobho , ini ndine Simba rekuti ndika gara pedyo nemunhu anezvikwambo
,ndinohwa munhuwi wezvikwambo zvake paari ,sezva ndikunzwa pamuri ,ndatohwa munhuwi
wezvikwambo zvenyu zviviri ,chikomana nechisikana , ndanyepa here?
(Brian)* arrrr inhema ,emmm ishuwa ,arrr handizivi ini.
(Rasta)* kkkk hoo ,musa vanze zvakadaro nekuti ndikuda kukubatsirai ,sezvo imi mandi batsirawo
nelift but zvisinei kana muchiti hamuna henyu its ok..
(Vave padhuze kusvika mutown ,Rasta vaya vanobva vatarira kumeso kwaBrian ndokubva vatanga
kubuda misodzi vaka tarisa face yaBrian.. ,,Brian anotarira Rasta vaya ,ndokuona vachichema vaka
mutarira , Brian anobva ati* *ko nhai Rasta muku chemei ,imi mukachema ka pamwe nhamo yenyu
iri nani pane yangu ,musaona kudriver mota idzi ndinotori nezvikundinetsa zvikuru saka regai
kuchema zvichanaka chete* .
(*Rasta vaya vanobva vati* no mukoma handisi kuchema nhamo but mukoma panda kutarisai
kuface kwenyu ndikuona zvaka wanda ,ndaona pamberi apo michizofa zvaka shata uye muchifa
nenzira ino gwadza .,moziva ndogona kutaura semunhu ano penga ,but mukoma zvandi kutaura
zvinhu zvandi kunatsoona ,ndaona muchifa zvaka shata pamberi apo ,saka ndokuku mbirai ,kubva
zuva ranhasi musiye zvamunoita uye nezvamaka bata , mumbo shinga kunamata, nekuti mukasa
namata pamberi apo muchafa zvakashata ,zvine kushungurudzika mukati .
(Brian)* iwe unofunga unga ndivhundutsure nenhema idzodzo here ,hazvisi zvanda kusengera
izvozvo kuti undiudze dondo rako iroro, vapfana muno mbodzibemerei mbanje dzacho kana
dzichikurambai nxxxx, hauna chaukuona apa better unyarare kana usina nyaya,
(Rasta)* sorry mukoma ,nekupenga kwandaita mumota menyu kasi makasa namata nerimwe
ramazuva mashoko angu muchama yeuka, ndapedza hangu ,,( Zvisinei pasina chinguva vanobva
vasvika mutown, Rasta vaya vanobva vatenda ndokuti* maita basa mukoma henyu mandisenga but
chichemo changu ndechekuti dai mashinga kunamata mwari, nekuti ini matoguma nhasi kundiona
ende ,hatichaonane zvakere ,Rasta vanobva vaburuka mumota ,ndokuenda kwavanga vachienda,
Brian anobva ati *fambai zvaka naka Rastaman , Brian anobva aenda ndoku nopaker mota yake
pakabhawa kakanzi (slick bar night club)* ,, Brian anobva aburuka mumota make ,ndokupinda
mukabhawa aka ,akananga kucounter , Brian anobva atenga ma6 pack maviri eBlack label ,
ndokugara pasofa mubhawa imomo ,ndokutanga kumwa doro rake achimbobvisa stress ,nekufunga
zano rotevera ,

Zuva ranga roda kuvira nguva dzava ,17:33pm ,uku Rutendo achitamba hake nemwana wake
bhule ,achimuridzira phone ,uku Bhule kachi ngonyemwerera zvako ,.*KO RUTENDO
ASIKANA ,HANZI NHASI CHIKO NAVINCENT ZVAASINA KUUYA KUZO KUONA *ava
ndiMai Ticha vaivhunza Rutendo izvi ,..Rutendo ndokupindura achiti.
(Rutendo)* aaaaa ndiye achakona kuuya here uya ,ambouya wani masikati ,achida kundipa mari
,ndikairamba ini,
(Mai Ticha)* hooo inga kane shungu newe kamufana kaya ,saka kaka zotaura nyaya yako here
,kana kuti kari kutya kkkkk
(Rutendo)* hwongu ataura kuti anondida .
(Mai Ticha)* yeeeeee makorokoto ,saka iwe wamuti chiiii ,uye ukufungei naye,
(Rutendo)* kutaura chokwadi Brian ndino muda zvikuru sababa vemwana wangu , ende Brian
mukana ndaka mbomupa vasikana but Brian haasisina kana basa neni, uye haasi kana kuchinja
maitiro ,kukonewawo kana kupindura massage yanda musendera makuseni ,saka this time sisi
,moyo wangu wakuda Vincent because ndaona ane future ,hazvi batsire ndirambe ndichingoda
Brian asina care neni kana kumbofunga mwana wake ,saka ini hangu Vincent awana mukana weku
danana neni, uye ndaku hwawo kumuda ende ndoziva kuti mwari havandisiyi ndichida murume
asingaiti ,hava ndisiye ndichi rasika nezita raJesu Amen,
(Mai Ticha)* Amen ,aiwa zvokudzwa vasikana ,saka hati mbonamatai kuna mwari tichi kumbira
kuti vasakusiye uchi pinda pasiripo ,,Mai Ticha vanobva vatanga kunamata vachiti *Jehovha toku
namatai neku kukurumbidzai zuva nezuva ,tino tenda kwamuri mufudzi Simba renyu rikuru, mwari
we ndino kumbira mupindire panaRutendo mumupewo njere dzakana pane zvaanenge achida
kuita ,pliz musa musiya achiwira pama tambudziko Amen* ,,Vapedza kunamata Rutendo anobva ati
,thank you sister I receive ,,saka sisi regai ndino bika ndimbo kuzorodzai kwananhasi ,Rutendo ano
sumuka ndokuenda kukitchen kuno bika hake ,,,,Mai Ticha vanosara vachiti tenzi musasiye
Rutendo achipinda pasiripo Amen ,,Mai Ticha vanobva vasumudza Bhule naTicha ndokuvaisa
pamakumbo ,ndokutanga kutamba navo.

Ava manheru Pastor vakarara mubedroom mavo nemukadzi wavo, Pastor vano tanga kurota *_ ,vari
muroad vachidriver mota yavo vachibva kuchurch ,vari mumota yavo kudaro, vanoona umwe Rasta
akagara pakati peroad , uku Rasta vacho kana kumbo cheuka kuti kukuya mota, ,,uku Rasta wacho
akasenga zvitsvimbo zvipfupi neMapfumo matatu ,uku Rasta ava vazere neshena mumakumbo ,uku
vachibema mbanje zvavo ,kana kumbo cheuka kuti kukuuya mota ,..Pastor vachiona munhu uyu
asiri kudzurira mota yavo , Pastor vanobva vaburuka mumota yavo ndokuenda panaRasta vaya
nehasha ndokuti ,*iwe ungagare pakati peroad uchiona mota yangu ichida kudarika ,kasi une ngozi
here iwe? (*Rasta vaya vanotanga kuseka ndopindura vachiti* *Pastor muno mboziva kuti mwari
aka kusikai mune Chipo cheku namatira vanhu ,but dambudziko ndere kuti imi makakara mari
nguva yamwari isati yakwana ,rudo rwemari ndirwo rwakaita kuti muzoenda kuno tsvaga mishonga
kwaMaster yekuti muiite mari,,, ko manga momhanyirei imi manga mune Chipo chenyu chakabva
kuna mwari ,zvisinei Pastor ndatumwa namwari kuti ndiku yambirei kuti mutendeuke nguva
ichiripo ,kana matendeuka modzosegwa Chipo chenyu mamwari nekuti mukasa tendeuka ,pamberi
apo ndaona muchizo tambura zvikuru ,,umwe wenyu ndamuudza masikati kuti ngasiye
zvezvikwambo ,ndobva atondituka ,saka imi zviri kwamuri kutendeuka kana kusatendeuka ,
musafunga kuti hope idzi ndedze nhema ,aiwa hope idzi ndedze chokwadi ,ini pangu ndapedza
ndakudzokera kumba kwedu kudenga , ini sengirozi yanga yatumwa kuzokubetserai ,ndakubetserai
muri vaviri ,ndapedza pangu ndaenda*..Rasta vaya vanobva vanyangarika ,, ..Nguva iyoyo Pastor
vanobva vapepuka ndokuona kuti ndanga ndichirota ,,Pastor ndokutanga kuseka vachiti hope
dzechando dzino nyepa vakomana ,ndizvo zvandi ngarote izvozvi kkkkk rega ndizvirarire ini,,
Pastor vanobva vazvirarira ,vachangorara vanotanga kurota Anita naAshanti vachichema.
TASANGANA ZVIDHAKWA ,HAMUSATI MATIONA ISU TAKADHAKWA ,TASANGANA
ZVIDHAKWA MIRAI MUONE ISU TAKA DHAKWA ,hey kanziyo aka kano nakidza vakomana,
zveshuwa kana uchizviti urimurume usati wambo pinda mubhawa waka rasikirwa nehupenyu
,ndaimboziva kuti mubhawa monakidza so here ini, .haiwawo idya mari mukadzi ayende ,unogara
nemukadzi one Gore rese kuti icalender here ?, ungandidi zvangu Brian ndaka dhakwa kudai , isu
nherera ana Brian tozvidyira mari dzedu tega ,vane vabereki vachitumira mbeu kumusha ,ko
ungandi di ,hapana kana zvaunga ndiita ,ndini Brian ndadaro, hehede iwe Dj dzokorora kanziyo
kapera aka indaba une Jealous nemari dzedu ,hehede ,,,,,(*uyu ndiBrian aitaura izvi ari mu(slick bar
) muya ,apa Brian kanga kadhakwa zvekudhakwa zviya sezvo kanga kabvirira masikati kumwa
doro,
Mongoziva kuti mubhawa munenge mune majoki (mahure)* anenge akapfeka zvinopa hosha
.mamwe acho anenge akatoshama chaiko mubhawa imomo ,achitsvaga mari ,apa mongoziva kuti
munhurume kana akadhakwa ,hosha yekuda bonde inenge iripaduze ichiita kurovera kunhova seye
mwana, (Zvisinei Brian anoona kuti pano zvandakuhwa zvaipa, ndakuhwa hosha yebonde apa
ndakapedzisira bonde ndichiri kugara naRutendo ,,eishhh zemo randi kurira manje saka ndodi apa
,rega ndimbo tsvaga hure rekumbo norara naro husiku, Brian anobva aenda panze pebhawa panenge
pakaungana mahure akamira line achitsvaga macustomer , Brian achisvika pamahure aya anotanga
kusarudza rakanaka rekuenda naro kuhusiku hwese (night),,, Hure raiva pekutanga ,parinoona Brian
, rinobva rati kuna Brian ,Bhudi huyai pano ,torai ini ndonokupai service yakasimba ,ndongo
kuchipisirai ndokupai ne4 mari chete pashort time),,, Rimwewo ndokuti* bhudi huyai hendei
neni ,ndonokupai zvamuno shuvira ,apa ndiri mwana wechikoro ndichiri kutemwa dzino buda ropa,
saka mongo ndipa 3 dollars yemabook chete sezvo zvikoro zvakavhurwa ,Rimwewo ndikuti * cwty
tora ini ,tiende kuhusiku hwese , ndokuchipisira ndokuitirawo 15 dollars chete ,worova kusvika
makuseni. Kusvika wafinhiwa ,ende ndono kupa zvemufirimu chaizvo try me.

Brian anobva aenda pane hure iroro ndokuti ,saka hende kumba kwako tonorara , ,.Hure Riya
ndokuti mari mberi munhu shure ,Brian anobva aburitsa 20 dollars ndokupa hure riya ,,,Brian
nehure vanobva vapinda mumota yaBrian ,ndokuenda kumba kwehure ,vachisvika ndokutanga
kufadzana vachiita Bonde uku Brian semunhu anga akadhakwa Haana kuwana nguva yekutanga
adzivirira ,akangoisa sikarudzi yake mukati asina kana kudzivirira ,,apa mahure anotofara kana
ukadaro nekuti anoziva mofa makawanda ,zvisinei Brian apedza kuita marounds ake4 ,anobva aneta
ndokubva arara , *
Ava makuseni na7:00 am..
IMI BABA IMI , CONTRACT YAPERA CHIMUKAI MUENDE KUMBA KWENYU, KASI
HAMUSATI MAMBOITA CHIHURE HERE IMI ,PLIZ MUKAI MUKAI ,TIME UP ,TIME UP
CHIMUKAI MUENDE MARI YENYU YATOPERA KUSHANDA KANA MUCHIDA
KURAMBA MURI PANO WEDZERAI IMWE MARI ,,*iri ihure riya raitaura izvi ** Brian
anobva abata homwe dzake achida kuti awedzere mari sekutaura kwanga kwaita hure,Brian
ndokuona asisina mari ,mari yese yanga yasechewa nehure iri ,Brian anobva ati * chimira
ndimborara 2 minutes ndozomuka ndoenda , Hure riya rinobva rasumudza Brian ndokunomu kanda
panze ndokuti endai kumba kwenyu baba imi ,murume wangu akasvika muri pano muno rohwa
mukafa

Brian anobva anyarara hake ,ndokubuda pamba pehure iri akananga kumota yake.. time yaanoti
avhure door ,mota yake inobva yatanga kungo bvira yega zvayo.. Brian ano shamisika nazvo
ndokuedza kuda kuzama kuidzima, ndokuona moto hausi kumira ,haikona ko mota zvayatova
marasha yese ,,,Brian anobva ati too late rega ndimhanye kumba ndinopa Peter Bonde racho zvipere
because aenge agumbuka , Brian ,ndokumhanya pamaTaxi paya paaimboshanda kudhara
,,achisvikapo anoona shamwari yake yaaishanda nayo iripo ,Brian anobva akumbira kuti shamwari
yake inomusiya kumba , shamwari yake inobva yabvuma ,Brian ndokupinda mutaxi muya. Vasvika
paBustop ,shamwari yake inobva yati ,shamwari ini handichakusiyi kumba kwako nekuti fuel yangu
yava shoma ,saka chisara pano paBustop wozongo gurira nepasango apo ,ungasvoere here
zvandakuitira , Brian anobva ati thank you handi ngasvori. ,Brian ndokuburuka muTaxi umu
achimhanya akananga kumba kwave ,, time yaanosvika kumba kwake, anoona imba yese ,nemota
dzese mbiri dzaiva muyard zviri pakati pekubvira , zvinhu zvese zvatova marasha chaiwo,

END OF CHAPTER 22

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 23

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

BRIAN time yaanosvika kumba kwake ,anoona mazi hutsi achiita kupfungaira achibva pamba
yake ,imba yese memota mbiri dzaiva muyard ,zviri pakati pekubvira ,zvinhu zvese zvanga zvatova
marasha chaiwo pasisina kana chekuti anga nhonga ,,,,Brian achiona imba ichibvira yatova marasha
,ano zvikanda pasi ,ndokutanga kuchema achiti. *ooooo God not my house plizz ,shuwa shuwa
vanhu mungasiye imba yangu ichibvira shuwa ,maihweee kandi ,ndaparara shuwa ndoiwanepi
imwe imba ,,maihweee imba yangu kandi ,nemota dzangu kandi yohweeee* ,..Brian nguva
yaichema iyi anohwa voice rechikwambo Peter richibva kudenga richitaura richiti.* *Brian tarira
kuno* ,,,,,Brian paanohwa voice iri anobva atarira kudenga ,ndokuona Peter naMarry zviri
mumhepo kudenga ,zvakabata tumaBag twenhumbi,, ..Peter kanobva kati * *Brian usacheme uchiti
imba yako ,,iyi yanga isiri imba yako but yanga iri imba yangu naMarry ,zvisinei Sara nechibonde
chako hatiku nyengerei, isu naMarry tatowana umwe munhu akutotida kuNigeria ,izvezvi ndokwa
takutoenda kumba kwake ,taona kuti hatinga gariri nonsense dzako idzo* *nguva iyi Marry naPeter
zvinobva zvasanduka kuita maziNyoka (Shato). Nyoka dzacho dzinobva dzabuda mapapiro
,ndokutanga kubhururuka dzaka nanga kuNigeria,,.......
Uku Brian misodzi ichiyerera akatarisa Peter naMarry vachirova pasi , .Brian anobva aona kuti
ndogona kuramba ndakamira pano ,but pano hapachisina changu ,uye ndikaramba ndiripano
,vakomana vemakombie vaka zodarika, ndingasekewe zvekusekwa zviya ,,saka better ndibve
pano ,,Brian anobva atanga kufamba akananga mukasango kepaseri pedzimba nekuti aida kunogara
panhu pekuti anenge ari ega akahwanda, nekuti aitya kusekwa nevanhu ,,Brian achisvika
mukasango aka ,anobva agara pasi pakadombo kaiva pazasi pezimuti remuonde ,Brian ndokutanga
kufunga kuti * *Manje zvinhu zvazvadai ndichadi vakomana ,ndicha pfekei, ndichadyei ,ndicha
garepi, ko hure riya harina kundipa AIDS here,ko Rutendo nevabereki vake vachizviwa izvi vachati
chiii, haaas zveshuwa chaitemura chava kuseva* ,,apa rega ndifonere Daniel ndimuudze kuti
ndozvaitika kuda pamwe anga ndibatsirewo nepamwe ,Brian anobva apinza ruoko rwake mukati
mebhachi kuti atore phone afonere Daniel ,,Brian anobva aona muhomwe umu hamuna phone
,anobva atsvaga phone muhomwe dzese nedze Jean ,but hapana chaakawana ,Brian anobva
azoyeuka kuti phone inenge yakatobiwa nehure riya futi ,,,haaa apa pakaipa shuwa ,,,Brian anobva
azoyeuka kuti kuBank ndakaisa mari yaka wandisa ,saka rega ndimborara ndakamirira kuti
kusvibe ,kana kwasviba ndoenda kunotora mari iri kuBank. Yesssssssss ,apa mwari mapindira ,mari
iyi ndichi ngoitora ,ndotenga ka2 rooms kangu ke$10 000 neTaxi ye$3000 ,ndobva ndano
nyengerera Rutendo ,totanga hupenyu hwedu hwekudhara. Yesss iyi iPlan chaiyo saka better
ndimborara ndakamirira kuti kusvibe ,,(Brian kanobva kazvambarara pasi ndokurara kakamira
kusvibe ,kana kwasviba koenda kuBank)

Rutendo acha ngopedza kugeza anohwa noc padoor ,,Rutendo anobva aenda kunoona kuti ndiani
akunoka padoor ,Rutendo achivhura door anoona ndiVincent ainoka ,..Rutendo anobva ati kuna
Vincent pinda hako ugare mumba ,..Vincent ndokuti *thank you .,,Ndokubva apinda ndokunogara
pasofa Rutendo anobva agarawo kune rakewo sofa ,
(Vincent)* ndeyp Rutendo ,ndati ndidarike ndichikuona ,unoziva handikwanise kupedza zuva
ndisina kukuona.
(Rutendo)* ok,hapana hapo chakaipa
(Vincent)* ndoziva hangu kuti haudi kuvingwa everyday ,but Rutendo ini ndokuda shamwari ,apa
ndanga ndangoti ndidarike ndichivhunza kuti wakazo funga sei ,nenyaya yangu iya.
(Rutendo)* pane mivhunzo yandoda kutanga ndaziva kwauri, then ndozo kupa Reply
(Vincent)* vhunza hako Rutendo
(Rutendo)* hauna mukadzi here iwe ,ko chokutuma kuda ini mvana chii ,ivo vasikana vazere
munyika ,uye unoita nezvei mukurarama ,vabereki vako varipi ,uye unogara nani?
(Vincent)* kutaura shuwa ini vabereki vangu handivazivi, uye handitozivi kuti ndaka zvariwa
nemunhu here kana kuti nemhuka ,because ini ndakakurira kuMarry Ward ,iko kuMarry Ward
kwacho vanoti vakandinhonga muBin ndiri mudiki ndichine 2 weeks dzeku berekwa ,Saka Sister
Lucia ndivo vaka ndinhonga vaka ndichengeta kuMarry Ward kusvika ndava murume, uye Zita
rekuti Vincent ndivo vakandipa ,,, then 2 years ago sister vakanditi Vincent wakura saka chizvionera
,ndobva vandipa mari yekutanga business ,Mari iyi ndakabva ndavhura Car sale mutown ,ikozvino
Car sale yangu yakura itori registered kuJapan ende ine macustomer hobho. ,saka iri ndobasa
rangu ,,ini handina mukadzi ndiri mukomana uye ndogara nemusikana webasa kumba kwangu.
Ndakatanga ndichi lodger ,ndikazotenga imba last year ,ndochokwadi chese chehupenyu hwangu
hameno maonero ako
(Rutendo)* ummm sorry for you parents sha, hoo saka nemusikana webasa hamusi kuita
musikahwa mese here imi kkkkkkk.
(Vincent)* kkkkk aaaa kana nyango uka zomuvhunza ,anokuudza kuti hatidaro kk, saka babie
ndakuenda hangu but hausati wapindura kuti wakafunga sei ,,,..Rutendo anobva asumuka
ndokunogara pamakumbo aVincent ,ndokutanga kumukisa ,vaviri ava vanotanga kukisana zviri
strong ,,,vapedza kukisana Rutendo anobva ati kuna Vincent * I love you too Daddy ,but kana mada
ini motodawo nemwana wangu hantie ka,
(Vincent)* kkk haasi mwana wako wega ,mwana wedu tese ,uye ndomuda zvikuru ,I love you so
much Rutendo ,wakatora moyo wangu kubva zuva randaka tanga kukona ,
(Rutendo)* iribho daddy ,saka ndoku bikirai chiii, kuti muende madya ,
(Vincent)* aaaa kana ucha zondibikira rimwe zuva ,ini ndakutoenda, chitora $200 iyi ugonatso
rukwa musoro
(Rutendo)* mari bodo daddy chengetai pliz
(Vincent ndokuti* ndandichiziva hangu kuti unoramba ,zvisinei ndichakufonera manheru cwty..
Vincent anobva asumuka pasofa ,ndokuperekedzewa naRutendo ndokunopinda mumota yake
ndokuenda ,,,Rutendo anobva adzokera mumba kunogara hake.

*nhai VaBanda murume wangu ,ndandi chikumbirawo kuvhunza kuti nhasi zvairi Friday ,kureva
kuti mangwana I Saturday ,saka mukuenda here kumitambo yenyu yezvigure*.AVA NDIMAI
TANAKA VAITAURA IZVI NEMURUME WAVO.
(Baba Tanaka)* ehe ndikuenda ,nekuti mangwana tinenge takasanga nezvigure zveku Kadoma ,saka
Tanaka ndichaenda naye ,anogona kudzoka arapiwa naMwanza ,Mwanza ndiye mukuru wezvigure
zveku kadoma ,saka anoziva mishonga yose. Uye ndiye aka tondidzidzisa imwe yacho.
(Mai Tanaka)* aiwa Baba ,Tanaka anofanira kusara nekuti ini handi ngasari ndega pamba
(Baba Tanaka)* horaiti haisi nyaya ,hantie iwe ndiwe mai vacho ,saka tongoita kuda kwenyu.nekuti
ini ndanga ndichiti pamwe mwana wenyu angarapiwe naMwanza ,but zvisinei zvido zvenyu
kunyanya mama
(Mai Tanaka)* maita basa nekuterera ,saka mondisirawo 10 dollars ,nekuti ndoda kukanda round
,uye muno pedza mitambo yenyu nguvai .mozosvika pamba nguvai?
(Baba Tanaka)* haaa mangwana ndotodzoka kwakuda kutoyedza ,ok mari ndicha kusira ,but pliz
usabude gedhi nemwana wangu ,because tingauye tika urayana pano.
(Mai Tanaka)* ehoi zvahwikwa baba ,saka regai ndino kuwachirai hembe dzeku zopfeka mangwana
,kana moenda kumitambo yenyu ,...MAI TANAKA VANOBVA VASUMUKA ,NDOKUENDA
KUNOWACHA HEMBE DZEMURUME WAVO.

Brian kachimuka kanobva kanatso muka nguva chaidzo dzakaida ,kano natso muka na6pm
kwakuvira .Brian anobva abuda mukasango aka ,ndoku nomira muroad achitsvaga lift but anga
asina mari yelift yacho ,saka aida lift yekuti anozono bhadhara mberi kana atora mari yake muBank,
zvisinei nguva iyoyo pano svika imwe taxi yeBlue ,Brian ndokubva aimisa Taxi iya ,,Taxi inobva
yamira ,Brian anobva akwira ndokuti kuna Taxi driver *mdara rovai mota mondisiya paBank
reCBZ ,ndono kupai mari yenyu mberi ,kana ndatora mari yangu mubank, because panapa handina
cash, saka kana tasvika paBank munondimirira ndotora mari yangu then ndokupai $5 yenyu ,,Taxi
driver uya anobva abvumirana nazvo ndoku rova mota ,vasvika mutown ,Taxi Driver anobva anatso
misa mota paside peBank chaipo ,ndokubva ati *eee mdara chiburukai munotora mari yenyu
mundibhadhare ndiende because ndine imwe client ikundida izvezvi ,saka itai chop chop ,Brian
anobva aburuka mumota ndokuenda paATM. Brian achisvika paATM anobva aisa (ATM CARD)
rake mukati ,ndokubva ati rega nditange ndacheker balance nditange ndaona kuti vebank havana
kuwedzerawo mari here. ,Brian achicheka Balance anoona mune $000 00.00 dollars ,Brian anobva
ashamisika kuti mari yese yakaendepi, nguva iyoyo anobva aziva kuti Peter atora mari yake
yese ...Brian ndokuti *eishhh apa ndodi nhai mwari ,ko munhu weTaxi ndomuudza kuti chiii,
ndinga urayiwe nemunhu weTaxi saka Better kumu tiza, Brian anobva ataimira munhu waTaxi
akarivara ..Brian ndobva avhurira bara kutiza ,, Taxi driver time yaano sumudza musoro anoona
munhu zero ,kutarira kwese kutarira kwese munhu zero, Taxi driver anobva ati * hooo saka apa
ndato tiziwa nhai ,,kk hoo haisi nyaya ndichamubata hangu. Taxi driver ndokumutsa mota yake
ndokuenda kuma Clients ake.

*OOYAS MAI VANGU SOKO IWE ,NHASI NDAKA ZVINETERA INI ,EVERYDAY
KAMUFANA BRIAN KANO NDIVHIRINGIDZA KURARA ,KACHINGOUYA UYA PANO
ZVISINA ODER NXXX,SAKA CHIREGA NDOKIYA GATE RANGU NDIRARE SEZVO
KWAVIRA KUDAI* (uyu ndiDaniel aitaura izvi arimumba make ,Daniel anobva abuda Mumba
ndokuenda kuno vhara gate rake ,,time dzaanosvika pagate anoona munhu aiva akapfeka
zveBlack ,achiuya achimhanya akananga paari ,,Daniel anobva ati too late ndavingwa nematsotsi
pano ,Daniel anobva arova speed akananga mumba ,ndoku notora pfuti yake ,ndoku dzoka panze
,anoona tsotsi riya rakamira parima paside pegate rake ,Daniel anobva ati freeze ndiwe ani ukudei
pamba pangu ,ukangofamba ndikukushudha ndiwe ani uriparima apo pagate pangu. ...Tsotsi racho
rotanga kutaura richiti *Shamwari Daniel usandiuraye ndini Brian sorry nekuku vhundutsira ndini
Brian shamwari yako* ,,,Daniel ndokuti * chave chiii futi ukudeiko nhai Brian ,,,Brian anobva
atanga kufamba ndoku nogara mumba maDaniel ,,Daniel anobva avhara gate rake ndokudzokera
mumba ,ndokusvika achiti ,
(Daniel)* nhai Brian shamwari uku mbondi shungurudzirei chaizvo.
(Brian)* shamwari hapana kumira mushe ,
(Daniel)* chii taura tihwe
(Brian anobva ataura nyaya yake yese ,kubva kuhure riya. Kusvika pakubvira kwezvinhu kusvika
pakushaya mari muBank nezvaitika paTaxi)
(Daniel)* shamwari nyaya yako ihombe iyi ,manje kana uchiti zvikwambo zvaenda ,kureva kuti
kwaMaster hauchatodiwi kuonekwa ,haaa dzaku sumukira mhepo ,but zvisinei ndakuhwira tsitsi
ndongo kupawo pekurara kwanhasi chete but makuseni womuka uchienda.. ,but unotono rara panze
because Mumba mangu muri busy nhasi pane zvikuitika
(Brian)* hoo wakudaro nhasi manje. Ungandibate semuranda so
(Daniel)* aa kana usingadi unongoenda hauna kubatiwa
(Brian)* horaiti ndivigire jira ndorara panze pacho hangu
(Daniel)* machira hapana unoto fuga bhachi rako iroro ,chienda unorara ndakuda kuvhara door
rangu ...(Brian anobva abuda ndokuenda panze ndokunopinda pasi pemota yaDaniel ,ndokurara
ipapo sezvo kwaitonhora ,saka pasi pemota panoto dziya zvirinani ,Brian anobva afuga bhachi rake
ndokutsamira ruoko rwake ndokurara

Ava makuseni ,,
*MAI TANAKA NDATO MIRIGWA NEMOTA PANZE NDAKUTOENDA BYE BYE
TOONANA PAMWE NHASI PAKATI PEHUSIKU* ,ava ndiBaba Tanaka vaitaura izvi vachiudza
mukadzi wavo .nguva iyi Vanobva vatobuda ndoku mhanya ndoku nopinda mumota mune vamwe
vavo, ndokuenda kumutambo wavo,, Mai Tanaka vanobva vatoti zvangu zvaita ,ndobva vatoenda
kuno geza, vapedza kugeza, ndokupfeka hembe dzavo dzemucheno, vapedza ipapo ,ndokuti kuna
Tanaka *geza mwanangu tiende kunaRutendo. ,,Tanaka paakawa kuti Rutendo akabva amhanya
kuno geza ,pasina chinguva anga apedza ,ndova ati mama ndapedza hendei .,mai vake zvaka
vanetsa kuti Tanaka kugezawo inga Rutendo anodiwa nemwana wangu shuwa ,dai mwari
vakapindira tikamuwana Rutendo wacho .. Mai Tanaka vapedza zvese vanobva vasunga Tanaka
netambo muchiuno make ,nekuti vaiziva mabasa ake ekufamba achidzingirira vanhu muroad
nekutema mota dzevanhu nematombo
Zvisinei Vapedza kumusunga vanobva vapinda paroad ,ndokumira pabustop vakamirira malifts
,zvisinei panobva pasvika kamwe karori kewhite ndokumira pavari ,Driver wekarori ndokuti *Nhai
amai mukuendepi nemwana uyu anenge dzisimo ,ndikuona achipotsera mota dzevanhu
nematombo*..Mai Tanaka ndokuti . *ndikuenda kuHillandale panumber 7 zvino kunhu kwacho
handikuzivi hameno kuti zvichaita sei mberi ikoko ,sezvo mukungoonawo munhu wandi naye
akugwara nepfungwa ,haana chaakuziva ..Driver ndokuti *nhasi amai I luck day renyu ,pindai
mumota mugare kushure, ndono darika ndichikusiyayi panumber 7 ndopaziva uye ndipo
pandikudarika napo saka pindai tiyende ,uye mahara hamu bhadari* ...Mai Tanaka vanobva vati
*Maita basa mwanangu ,,,,ndobva vakwira nemwana wavo ndokugara kungoro kwechirori
,,,,Zvisinei Driver anobva apisa mota vakananga Hillandale ,

Rutendo achiita basa remumba sezvo aiva makuseni,,Rutendo anohwa Mai Ticha vachi deedzera
varimuBedroom vachiti *Rutendo pane noc padoor*.
Rutendo anobva ati *ok sisi regai ndinoona kuti ndiani ati fungawo makuseni seni so, Rutendo
anobva asiya zvaanga achiita ndokuenda kunoona ndiyani akunoka ,paanovhura door achitarira kuti
ndiyani akunoka ,anoona vamwe mai vechikuru vakabata tambo yaka sungirigwa pamunhu ,
Rutendo ndokubva atarira munhu aiva akasungwa netambo namai ,ndokuona ndiTanaka ..
Tanaka achisumudzawo musoro ndokuona Rutendo

END OF CHAPTER 23

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 24

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

Rutendo ndokubva atarira munhu aive akasungwa netambo namai ava ,ndokuona ndiTanaka...
(Tanaka achisumudzawo musoro ndokuona Rutendo).. *Tanaka nguva yaanoona Rutendo ,anobva
adonha pasi, ndokubva angoti ziiii ,arere pasi ipapo*) Rutendo paanoona Tanaka ati ziiii, anobva ati
kunaMai Tanaka, *nhai Mama chiii chiri kuitika ,mwana wenyu here uyu ,uye haasi Tanaka here
uyu ?
(Mai Tanaka ndokuti)* hwongu ndiye Tanaka uye mwana wangu ,ndikuda kuvhunzawo , ndipo
pano gara Rutendo here pano?
(Rutendo)* hwongu mama ndipo chaipo.uye ndini Rutendo wacho, kwakanaka here?
(Mai Tanaka)*mwana wangu, zvandakuwana zvakanaka ,hapana kana kumbomira mushe ,, Nyaya
iripano ndeyekuti *mwana wangu Tanaka aishanda kune imwe imba so, hanzi kwaBrian ,zvisinei
rimwe zuva madeko ,takarara naBaba vake ,takahwa Tanaka achipinda mumba achimhanya apa
anga akakuvara ,achibva kwaBrian kwacho ikoko ,takabva taenda paari tikaona akakuvara
zvisingaiti ,akabaiwa nebanga guru chairo ,..zvisinei Baba vake vakabva vamurapa, ndobva papora
paanga akakuvara, but kubva musi iwowo, Tanaka anga atorasa njere, kumutaudza chaiko haku
pinduri, kuti tizive chii chakaitika hatauri ,chake kungo dzingirirana nemota dzevanhu,, Zvisinei
ndaka zoenda kumuporofita ,ndikanzi nditsvage Rutendo ndiye ega ano kwanisa kuponesa mwana
wangu ,..saka Rutendo zvanda kuona zvanaka ,ndibatsirewo mwana wangu ,ndoku bhadhara
zvaunoda zvese pliz .Mai Tanaka vanobva vapfugama pasi ,ndokutanga kuchema vachiti *pliz
Rutendo ndibatsirewo ndoku mbirawo, shuwa ndihwirewo. tsitsi.
*..RUTENDO mupfungwa make akabva aziva kuti Brian nezvikwambo zvake ndivo chete
vakapengesa Tanaka nenyaya yekuti vaitya kuti Tanaka achazofumura zvezvikwambo ,uye nekuti
Brian aifunga kuti ini ndairara naTanaka ,but zvisinei mwari nguva ino ndakudawo Simba renyu
tenzi wangu*.
(Rutendo anobva ati* Mai chisumudzai Tanaka mumupinze mumba timbo kumbira mwari kuti
vaporese Tanaka ...Mai Tanaka vanobva vadhonza Tanaka wavo ndokumu garisa mumba pasofa
.uku Tanaka wacho ari ngori ziiii ,kana kusvinura or kutaura zvako.
(Nguva iyoyo Rutendo anobva abata bhaibheri rake ,ndokutanga kunamata achiti* *Mwari Baba
tenzi mwari wehondo ,ndikukumbirawo tenzi mushandise Simba renyu ,murerutsirewo Tanaka
uyu ,nekuti haangafiri mhosva isiri yake baba ,zvikwambo zvaBrian ngazvipedzerane naBrian
kwete nevana vevanhu vasina chavakatadza panyika ,nguva ino ndinoti mweya yese yetsvina igere
mupfungwa dzaTanaka ,GO BACK TO SENDER ,MUZITA RAJESU ,nguva ino mwari ndinoti
,Tenzi dzoserai mwana uyu njere dzake dzaaka bhigwa naSatan ,Amen*) .Rutendo apedza
kunamata anobva ati *Tanaka chimuka waporesewa namwari wedenga nepasi ..,,Nguva iyi Tanaka
anobva asvinura ,ndokubva atanga kuzvitarisa ,ndokutarisa Mai vake ,ndokutarisa Rutendo ,Tanaka
anobva asumuka ndokuti *mama chiiii chikuitika ,tauya sei pano ,ko tambo yama kandisunga nayo
muchiuno mangu ndeyeyi iyi...mama kasi ndaipenga here ? ,mama honai ndava right ,pfungwa
dzangu dzadzoka .Tanaka anobva atanga kufara achijamba achiti *thank you God ,achifara ndobva
amhanya kuno mbundirana namai vake ,achifara zvisingaiti ,uku Mai vaTanaka misodzi yemufaro
yanga yazara pamatama ichiita kuyerera ,uku Rutendo achifarawo ,nekutenda mwari nebasa guru
ravanga vagwa ,,uye achifara nekuti anga aonawo Tanaka,,

Zvisinei Tanaka naMai vake vano pedza 10 minutes vakango mbundirana vachifara nezvavanga
vaitigwa namwari ,, nguva iyoyo Tanaka anobva ati ,
(Tanaka)*Mai Bhule ndokutendai zvikuru shuwa ,kubva nhasi ndatendeuka pazvigure
,ndakunamata mwari wamu nonamata ndaona kuti ane Simba, shuwa ,ndafara zvisingaiti ,ndashaya
ndoku tendai sei.
(Rutendo)* Tanaka kana newe ndokutendawo nezuva riya ,rawaka ndinunura Brian achida
kundiuraya paya nekuti dai waive usipo dai ndakafa paya ,uye ndokutenda wakaita ndione zvaiitika
pamba paBrian nekuti ndiri ndega handaizo zvigona ndega ,uye ndafara ndakuona ,nekuti ndaitya
kuti zvikwambo zvaBrian zvinga zoku pedzise ,zvichi kuurayira mhosva dzangu ,uye ndotenda mai
vako vauya newe pano ,.Mai Tanaka ndafara zvikuru nekukuzivai .
(Mai Tanaka)* Rutendo ndafarawo neku kuziva mwana wangu, Dai mwari vaku komborere
nekusingaperi ,dai wawedzegwa mazuva ekurarama panyika nemhuri yako
(Rutendo)* I receive mama
(Mai Tanaka)* Rutendo mwana wangu ndashaya ndokutenda sei ,..uye ini naTanaka hatichagari
takuda kudzokera kumba ,nekuti baba vake vakazosvika ndisipo ,ndingarohwe ndikaona moto
,nekuti ndabuda pamba zvemusikahwa ,ende baba vake vachauya vachifara nhasi vachiona mwana
wavo adzosegwa njere dzake namwari..
(Tanaka)* mama tisati tadzokera kumba ,regai nditange ndapihwa number dzephone yaMai Bhule ,
ndigozo pota ndichivafonera hangu nekuvatenda pane zvava ndiitira muhupenyu hwangu
,.....Rutendo anobva anyora phone number dzake pakabepa ,ndokubva apa Tanaka ...Tanaka anobva
agamuchira kapepa kenumber ndoku kaisa muhomwe dzake ...
(Tanaka)* maita Basa mai Bhule ,ndichapota ndichi kufonerai sezvo ndava nenumber dzenyu...
Zvakanzi nevakuru aguta haoneki ,saka regai tiyende zvedu but zveshuwa mwari wenyu ngaaku
komborerei ,nekusinga peri ,uye ndichapota ndichi kushanyirai ,
(Mai Tanaka)* shuwa mwanangu Rutendo ,waita basa shuwa ..,isu naTanaka chirega tiende
hedu.....*MAI TANAKA vanobva vasumuka nemwana wavo ,ndoku buda Mumba umu
,ndokupinda muroad, Zvisinei Rutendo anobva ava perekedza ,ndokunovasiya vakwira kombie
,,,Rutendo paanoona vakwira, anobva adzokera mumba ,.Rutendo achipinda mumba anobva aenda
mubedroom ,ndokuno mutsa Mai Ticha ,achivaudza nezva Tanaka naMai Tanaka ,sezvo mai Ticha
pasina chavanga vachiziva sezvo izvi zvaka zoitika vabatiwa nehope,

. *Vincent ari mutown, achi famba achi namira maposter pamadziro ,Maposter acho anga
akanyogwa kuti (GARDENER WANTED IMMEDIATELY. CALL THE NUMBER BELOW IF
YOU ARE INTERESTED)* .. Zvisinei Vincent aripakati peku namira maposter ake ,phone yake
inobva yatanga kuringer ,Vincent anobva aburitsa phone yake muhomwe ndokutarisa kuti ndiyani
ari kuphona ,,zvisinei anoona phone yake yakanyora kuti *incoming call from (Rutendo)....Vincent
anobva ashamisika kuti Rutendo ano tombo ndifungawo panyika pano ,inga mwari muriko
,..Vincent zvaka mushamisa because yaiva first time muhupenyu hwake kufonegwa naRutendo
,,Zvisinei Vincent anobva aanswer call iyi nemufaro
(Vincent)* hallo cwty kurisei kumba ,thax for calling sha, ende nhasi ndafarawo
(Rutendo)* arr munga tende izvozvi chete here..ko muripi dady ,ndakusuwai ndikuhwa kuda kuona
face yenyu ini...
(Vincent)* ndiri mutown cwty ,ndiku mbonamira maposter, ndikutsvaga garden boy wepamba
pangu ,because aivepo akasiya basa ,kune kwaakaenda saka hacha dzoki ,that's why ndakutsvaga
umwe
(Rutendo)* iribho cwty ,don't worry uno muwana umwe so soon hantie ka,
(Vincent)* ok babie ,but ndine nyaya newe ,nyaya yangu ndeyekuti ndoda kukurora sha ,sorry hako
kana yakubhowa nyaya iyi but ndangotiwo ndingo taurawo chete..
(Rutendo)* ummm its too early shamwari ,ngati mbomira ,ndicha zokuudza kana nguva yakwana
hantie ka.
(Vincent)* ok my wife ndicha darika ndichikuona ,uchengetedze zvinhu zvangu hantie ka
,ugomhorosa mwana wangu Bhule ,umuudze daddy Vincent vanokuda zvikuru.
(Rutendo)* kkkkk pazvinhu apo ,kkk zvinhu hazvisati zvava zvako kkkk, jokes dady ndaka
chengeta like always ,bye bye I love u ,..Rutendo anobva adroper phone ,Zvisinei Vincent anobva
akisa phone ,ndokuti *mwari makaita Basa nekundipa Rutendo ,I love you so much Rutendo
.apedza kudaro anobva aisa phone yake muhomwe ,ndokubva aenderera mberi neku namira
maPoster ake.

*Brian shamwari ipapa ndipo panhu one patino netsena chete ipapa, nezuro manheru takawirirana
kuti iwewe nhasi makuseni ,uno muka uchitsvaga kweku enda ,but chiona ikozvino nguva dzatova
12:00 dzemasikati. But ini nezuro manheru ndaka kuudza wani kuti nhasi makuseni unofanira
kutorova pasi ,..hona ipapa wakagara pamaGarden chairs angu ,uchinyepedzera kubata shaya kuti
ini ndiku hwire tsitsi chete ,manje nhasi haulume ,,chitora $20 dollars iyi utsvage kwekuenda
because ini ndakuda kutombo budawo izvezvi ,saka ndoda kutosiya ndaka kiya imba yangu.* Uyu
ndiDaniel aitaura izvi ,achitaura naBrian...Zvisinei Brian anobva agamuchira mari iyi ndokubva
apindurawo achiti*Daniel ,Daniel ,Daniel ,ndibate hako semuranda uchi ndidaro ,but ndoda
kukuudza kuti hapana chisingaperi ,inguva yako chete ,nesuwo taimbo zviitawo zvauri kuita but
nhasi tiripi...
(Daniel)* shamwari hapana chauno taura apa ukuhwa ka, ini handisi ndakati ,zvikwambo zvako
zviyende nemari yazvo yese ini ,uye mutemo waMaster unouziva uya wekuti ,kana zvikwambo
zvayenda ,newewe hauchadiwe kwaMaster ,saka dai ndirini iwewe ndaienda hangu kumusha
kunorima cotton kkkkkkkkkk yohweeee kkkkkkk, Brian shamwari chienda ndikaramba ndaka tarisa
kaface kako kanenge kemhashu mutetekwa ,ndokuvara nekuseka kkkk ,,,(BRIAN Haana chaaka
taura. Akabva aisa $20 yaapihwa muhomwe ,ndokubva abva pamba paDaniel ,ndobva anokwira
macombie anoenda kutown.. *uku Daniel anosara achiti *Better ndazorora mupfana uyu ano netsa
aiwa surrend chaiyo*..

Tanaka naMai vake vari kumba vagere zvavo pazasi pemuti wemumango ,vakatandara vaka zorora
sevanhu vanga vachangosvika kubva kwaRutendo ,,Nguva iyi Mai nemwana vachi kurukura, sezvo
vaifara ,kuti njere dzaTanaka dzakanga dzadzoka padzvimbo zvekare.
(Mai Tanaka)* unoziva Tanaka ,ndikanzi ndibate zuva randaka nyanyo fara muhupenyu hwangu
,aiwa ndobata zuva ranhasi, ende nhasi ndafara nezvawa itigwa naRutendo ..
(Tanaka)* kana neni mama ndafara ,saka Rutendo zvikureva kuti haachagari naBrian, because kuya
kwaanga ari hakusi kumba kwaBrian kuya.
(Mai Tanaka)*ini handina chandoziva hangu panyaya yezva Brain wacho iyeye ,saka hapana chandi
ngataure ini Brian wacho ndisi ngatozive nekwaanogara
(Tanaka)* hoo ummm but mama ini moyo wangu wakuhwa kuda Rutendo chaiko,
(Mai Tanaka)* kumuda kuti aite sei futi?
(Tanaka)* kutomuda nemoyo wangu wese ,hantie naBrian vakasiyana kare here ,hamuoni kuti ini
ndini ndatowana mukana wekupinda panyanga ,sezvo pasisina munhu kudai , izvi zvotoreva kuti
mukadzi ndewangu kauya..
(Mai Tanaka)* kkkkk haya mwana wangu kusaenda kuchikoro kwaka kuremadza shuwa ,,
(Tanaka)* neiko mama ,ndaremara papi futi
(Mai Tanaka)* uno mboziva kuti kune chinhu chinonzi class here , iwe nenhamo dzako idzodzi ku
sanganisiira nehudofo hwako hwekusagona kana kunyora zita rako ,unofunga kuti Rutendo anga
kude here ,ende Rutendo newe mutori bhudi naSisi ,kana wakuda kugura hukama hwako naRutendo
enda unomuudza nyaya dzako dzerudo idzodzo uone kuti muno zowirirana here .
(Tanaka)*but mama marevesa Rutendo angadewo munhu waano ziva kuti ndiGatemen akaitawo
seni ,hameno but tichangoona nekufamba kwenguva but moyo wangu eishh
(Mai Tanaka)* ehe mwana wangu nguva ichasvika ,mwari vachakupa wako mukadzi anoenderana
nenhamo yako iyoyo ,kwete Rutendo ,iwe uno kona kuona wega Rutendo haisi Class yako here ,Dai
wakaenda kuchikoro pamwe waidei uchiziva nezve Class yandiri kutaura nezvayo.
(Tanaka)* shuwa mama ndapanzwa ipapo ,.. Nhasi Baba vachauya vachifara ,pava chandiona
shuwa.
(Mai Tanaka)* shuwa vanga kone kufara pakadai ,,Tanaka chirega ndichibika chimodho nekuti ini
ndakuvara nenzara sezvo makuseni paya ,tangobuda tisina kana kudya, saka iiii matumbu angu
haachadi ..Mai Tanaka vanobva vasumuka ndokuenda pamoto ,ndokunotanga kubika...

*MASTER MASTER KWECHU*..ava ndiPastor vaitaura izvi vari paGlass ravo ,vari mutoilet
..Zvisinei nguva iyoyo MASTER vanobva vabudikira paGlass iri ,ndokubva vati..
(Master)* taura tihwe ,woto taura neku kurumidza nekuti ndiri Busy ,ndikuda kutoenda paKariba
Dam izvezvi
(Pastor)* eishh nyaya yandi kuda kutaura inyaya yevana vangu ,vana vaya havasi kumira kupfuka
zvipoko ,nezuro manheru chaiye ndakarota vachindidzipa vese vari two. zvekuti dai pasina mukadzi
wangu aka zondimutsa dai ndakafira kuhope, saka manje todi Master, nekuti vana vaya vaku
ndishungurudza ndikutotya kuti vanogona kuzondi uraya ?
(Master)* horaiti hanti nhasi I Saturday ka, saka Monday kugathering ndichakuudza zvekuita kuti
,zvipere zvezvipoko izvovo.
(Pastor)* horaiti Master toonana Monday ,
(Master)* uya Brian hatichada kumuona kuBrothers of Darkness ,akatyora mitemo yePeter yaka
wandisa ,saka kuno akangouya ndomuuraya ndobva ndamudya ,mukamuona muudze asa mbotsike
kuno.
(Pastor)* horaiti Mwari wangu ,ndichaita kuda kwenyu ,,,.NGUVA IYI MASTER VANOBVA
VANYANGARIKA PAGLASS IRI,,,,,PASTOR VANOBVA VAVIGA GLASS RAVO
,NDOKUBVA VABUDA MUTOILET ,NDOKUENDA KUCHURCH KWAVO KUSERVICE..

Brian achiburuka kombie iya sezvo yanga yasvika mutown ,.Brian anobva aenda murenk
yemaBhazi ,ndobva ambonotenga sadza ndobva adya sezvo anga ava nenzara yemazuva maviri
asina kana chaanga amboisa mumuromo wake ,Brian apedza kudya sadza iri anobva ati better
ndimbono gara mupark ndichi seredzera uye ndichifunga zano rinotevera ,kuti ndichaita sei
ikozvino ,ko ndichagarepi zvanda dzingiwa naDaniel kumba kwake ,.eishhh ko ka20 mari kaandipa
kakapera ndicha zodyei mangwana ,eishh apa zvagara kwaMaster ndotoziva kuti hava chatondidi
ikoko, hayas Gore rino ndaka zvisikira moto muziso chaimo, haaa apa Better ndimbo famba famba
nekuti ndikaramba ndakagara pano ndogona kuzoguma ndazvi uraya ,,,,,Brian anobva asumuka
paanga akagara ,ndokutanga kungo famba achidzika neside rekuPost Office, Brian achifamba
kudaro anobva aona kamwe kaposter kaiva kaka namatidzigwa pamadziro peshop inotengesa
insurance dzemota ,,,Brian anobva aenda paka poster kaya ,ndokubva aka kwatanura kaposter
kaya ,ndokutanga kukaverenga ,kaposter aka kanga kakanzi* ( *GARDENER WANTED
IMMEDIATELY. CALL THE NUMBER BELOW IF YOU ARE INTERESTED*) Brian anobva ati
zvangu zvaita ndongo shanda 2 months kuti ndiwane mari yekutanga business, kana ndatanga
business racho ndobva ndozotsvaga Rutendo nemwana wangu Bhule ndoku mbira ruregerero,
tobva tatanga hupenyu hwedu hwekare.. Brian anobva ati simbi inorohwa ichapisa ,saka better
nditsvage munhu ane phone kuti ndifone panumber dziri paposter nditsvage Basa.,,, Brian anobva
aenda paEccocash ,ndobva asvika ndokuti kune musikana wemu Eccocash *sister ndanga ndichi
kumbirawo phone yenyu ka ,pane munhu wandikuda kufonerawo zviri Argent .
(Musikana weEccocash)* nhai bhudhi moda kufona kunetwork ipi ?? Uye moda kufona maminutes
mangani?
(Brian)*ndoda kufona kuBuddie ,I think 3 or 4 minutes only ,
(Musikana weEccocash)* horaiti kufona 4 minutes mobhadhara 1 dollar ,..Brian anobva aburitsa
dollar ndokupa musikana uyu. ,,,Musikana weEccocash anobva agamuchira dollar riya ,ndokubva
apa Brian phone ndokubva ati* torai phone iyi mufone ,but mongo taura 4 minutes chete , .Brian
anobva atora phone iyi ndokubva atarira number dziri paPoster riya ,ndobva adzibaya ndobva
adziphona ,phone inobva yatanga kuringer ,pasina chinguva inobva yadavigwa .munhu wacho
adavira anobva ati *Hallo this is Vincent speaking & who are you ,how can I help you ,,
Brian ndobva ati* hallo sir ,my name is Brian ,ndaonawo poster renyu mutown ,rakanzi mukutsvaga
Garden boy ,saka ini ndiri interested ndosaka ndafona nekuti ndiri kuda Basa racho Boss.

END OF CHAPTER 24

---------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO
CHAPTER 25
STORY BY SIMON PHIRI
+263771643631
Phone inobva yadavigwa .munhu wacho adavira
anobva ati *Hallo this is Vincent speaking & who are
you ,how can I help you?
Brian anobva apindura achiti* hallo sir my name is
Brian ,ndaonawo poster renyu mutown, rakanzi
mukutsvaga Garden boy ,saka ini ndiri interested
ndosaka ndafona nekuti ndiri kudawo Basa racho
Boss.
(Vincent)* OK haisi nyaya saka Basa iri maka mboriita
before here kana kuti mukuto tanga so?
(Brian)* izvi zvinhu zvidiki Boss zvamukutaura ,ndaka
zviita kaka wandisa sitereki, ende ndine ruzivo
rwakakura chaizvo ,zvekuti nemiwo kana muka
ndipinza Basa , mucha zofara nebasa randi
chakuitirai pamba penyu.
(Vincent)*ok Basa riripo ende wariwana ,saka ukuda
kutanga rinhi basa racho because ini ndikutoda
utange nhasi chaiko.
(Brian)*ok mukoma ndoda kutanga nhasi chaiye,
manje apa ndiri mutown ndaka mira paEccocash
shop yepaduze neNASSA ,saka apa ndiudzei kuti
ndofamba sei kuti ndisvike pamba penyu..
(Vincent)* umm nyango madirectons ndika kupa
unogona kurasika, saka iwe chimira PaEccocash
ipapo ,ndikuuya kuzokutora ipapo ,ndipe 15 minutes
chete..
(Brian)* horaiti mukoma ,ndipo pandiri saka regai
nditombo gara pasi ndaka kumirirayi .
(Vincent)* ok sure ,,,.. *Brian anobva adroper phone
sezvo anga apiwa 4 minutes nemusikana weEccocash
,saka Brian anga akutya kuti akada kuwanza nyaya 4
minutes dzacho dzino zodarikidza ,vaka zonetsana
nemusikana uyu.. Zvisinei Brian anobva adzorera
phone kumusikana weEcocash , Brian apedza
kudzorera phone anobva agara paChair yepa shop
ipapa ,sezvo anga anzi naVincent tosangana
paEcocash shop ipapa*
PAPERA 10 MINUETS.Brain aka ngogara paChair paya
,,zvisinei anoona imwe mota yerudzi rwe(Toyota
Corolla)* ichiuuya yaka nanga paShop panga pana
Brian , Mota iyi inosvika paEccocash shop apa
,ndokubva yapaker paside peEccocash shop.
,,,,Mumota umu munobva mabuda mumwe murume
ndokubva aenda pana Brian ndokusvika kuna Brian
achiti* nhai shamwari ndiwe here Brian wanda
ndichitaura naye paphone maminuets apfura aya?...
(*Brian ndokuti *) hwongu Boss ndini Brian wacho
,ndini ndaku phonera ndichidawo Basa ,..(Vincent
ndokuti *ok chipinda mumota yangu tiyende kumba
,unoona pauchange uchigara uye Basa racho ,nemari
yaucha hora pamwedzi ,...Vincent anobva ,adzokera
mumota yake ,ndokubva apinda mukati ndoku mutsa
mota yake ,..Brian anobva asumuka paChairi paya
ndokubva ati kumusikana wemuEccocash *sister
maita basa chiregai ndiende ,mova nezuva rakanaka
...Brian anobva afamba ndoku nopindawo mumota
,Nguva iyoyi Vincent anobva afambisa mota yake
ndokudzokera kumba kwake, kuno ratidza Brian
mashandiro acho..
Zvisinei Pasina chinguva, Brain naVincent vanga
vasvika kumba ...Vave mukati meyard yaVincent
,.Vincent anotanga kutaura achiti *right mukoma
Brian panapa ndipo pabasa penyu ,munoona maruva
ayo neLoan iyo ,ndizvo zvega zvamunenge muchingo
servicer neku diridza kuti zvirambe zviri green yazviri
iyoyo, then everyday masikati na12 muno gezesa
mota dzangu mbiri idzo dzaka paker apo, Then
Boesky iyo iri pagate ,ndoya muchange muchigara
,munenge muchivhurira mota dzangu Gate kana
dzichi buda neku pinda. Zvisinei chikafu chenyu
chekudya muno zvibikira mega muBoesky memyu
imomo, then kupera kwemwedzi pay yenyu i$150 ,but
ndikaona muchiita zvino ndifadza ndoiwedzera
yosvika pa$160 ,then inini handisati ndava nemukadzi
but ndine musikana wandiri kudanana naye ,uye tava
paduze kurorana,,then musikana wamu kuona uyo
,arikutsvaira apo , anonzi Anna ,ndiye house girl
wepano pamba ,,saka imi pare zvino munongo
diridza maruva kana mapedza monogara Mumba
menyu zvenyu ,musatya mukoma ini hangu ndiri
mwana wamwari handikwanisi kuomesera vanhu, but
ndongoda basa rangu riitiwe nemazvo ,zvekuti
makango ita basa nemazvo ,haa tino wirirana kusvika
Amen ,saka pane chimwe chamoda kuziva here?
(Brian)* haaa ndahwisisa zvese , kungo diridza
maruva neLoan ,kana ndapedza ndonogara paGate
ndichi vhurira mota dzenyu Gate . Izvozvi chete inga
hapana basa rakawanda wani ,thank you Boss
Vincent .
(Vincent)* ok tora makey egate aya ,But pliz
usavhurire gate mota dzau singazivi hantie ka, uye
manheru ungwarire mbava ,nekuti ndinga bigwe
zvinhu zvangu pano
(Brian)* ok mukoma makey aya ndicha machengeta
zvakanaka ,saka regai ndimbotanga neku diridzira
kaLoan aka ,kana ndapedza ndono gara pagate ndaka
chengeta pamba ,seku taura kwamaita ,,..Vincent
anobva ati ok ,.. Vincent ndokubva aenda hake
mumba make ,Brian anoona hovhorosi nemaJombo
zvaiva pasi ,anobva azvitora ndokupfeka ndokutanga
kuita basa rake ...
, Mai Ticha vano pinda mumba , apa face yavo
ichiratidza kufara zvisingaiti, uku vachiimba kanziyo
vachiti , *dzoko dzoko nhaiwe dzokoniwa ,nhaiwe
dzoko dzoko ,nhaiwe dzoko niwa*..Rutendo achiona
izvi zvinobva zvamunetsa kuti ko sisi vangu why nhasi
vango pinda mumba vachifara kudai ,chingava chii
chavaona kwavabva ikoko, chava tuma kuti vanakigwe
kudai ,,Rutendo anobva ati
(Rutendo)*nhasi sisi kwakanaka here nhasi ,muka
gopinda mumba muchifara kudai, tiudzeiwo nyaya
yacho nesu tifarewo.
(Mai Ticha)* asikana hamusi kuhwa nziyo yandiri
kuimba ikuti *dzoko dzoko .* kwandabva uku
,ndagohwa iri nyaya kwese kwese, hanzi zvikwambo
zvaBrian hanzi zvakaita dzoko dzoko. Kwahi
zvikwambo zvaBrian zvaka dzokera kuvaridzi
,zvikasiya zvaparadza zvinhu zvese zvaBrian ,kusa
nganisira mota ,imba ,hanzi zvaka paradza
everything, ndofunga hapana chakasara
kusanganisira nemaPants aBrian kkkk ,zvekuti
kutaura kunoku Brian yatovawo tsuro yemubook
zvayowo, ..ende pandazvihwa ndafara zvisingaiti ,but
remember ndai mbokuudza hangu kuti zvichapera
,chiona nhasi zviripi, mwari wato namata mukuru
shamwari... (RUTENDO ACHIHWA IZVI ANOBVA
ASHAMISIKA NDOKUTI*)
(Rutendo)* aaar ,whattt , Sisi is this true here kana
kuti mangohwawo nevanhu ,kwamabva ikoko?
(Mai Ticha)* Rutendo this is 100% true shamwari
,because nyaya iyi yazara mutown mese umu. Plus
vanhu hava tauri zvinhu zvenhema ,hantie
ndaikuudza paya kuti zvopera izvi.
(Rutendo)* ummm sisi kana takangwara hatipindei
mumota tiende kumba kwaBrian tino zvionera tega
,because dzogona kunge dziri nhema dzevanhu ,,
(Mai Ticha)* but ipapo wataura dama ,hende
tozvionera tega ...(Rutendo naMai Ticha vanobva
vanopinda mumota, Mai Ticha ndokurova mota
vakananga kwaBrian ,,zveshuwa vachisvikako vano
ngoona imba riri dota nemarasha ,pasisina kana sing
yekuratidzawo kuti paimbova neimba, Rutendo
achiona izvi Misodzi yake yotanga kubuda ,,Mai Ticha
ndobva vati* nhai Rutendo chi chauku chema ipapa
,padzvimbo yekuti ufare kuti ,Brian adzidzawo
chidzidzo iwe uku tochema
(Rutendo)*mumoyo mangu sisi ,Brian handichina
Basa naye zvangu because mwari vakandipa Vincent
..but ndongo gwadziwa kana Baba vemwana wangu
vachi tambudzika ,ende Brian ndiye Baba vaBhule
ende hazvife zvaka chinja ,zvisinei sisi chimutsai mota
tiyende ,nekuti ndika ramba ndiri pano ndogona
kutozo ita zvimwe zvinhu pano,..Zvisinei Mai Ticha
vanobva vafambisa mota ,ndoku dzokera kumba
kwavo .
*Ava manheru pakati peusiku*.
Uku Tanaka naMai vake vaka ngogara pamoto ,vaka
ngomirira kuuya kwaBaba Tanaka, sezvo nguva dzavo
dzekudzoka dzanga dzadarika kare.
(Tanaka)* haa mama ini ndakuhwa hope ,kuti baba
vacho vachauya nhasi here ivava ,kana kuti vato
funga kurara kuzvigure ikoko ,sezvo mati vasangana
nezvugure zveku Kadoma ,kureva kuti nhasi hava
todzoki ,zvatove zvamangwana ka.
(Mai Tanaka)* umm ipapo handizivi hangu, but seku
taura kwavaita makuseni vachibuda ,vasiya vataura
kuti vanodzoka pakati peusiku ,manje nguva dzacho
zvadzakwana pasina munhu auya neniwo handi
chazive kuti vachauya nhasi here or mangwana.
(Tanaka)* ini ndakuda kuno rara but ndanga ndichida
kurara ndavaona Baba vangu. manje zvaramba ,
(Mai Tanaka)* chienda hako unorara mwanangu
,kana vauya ndozo kumutsa ,but plizzz mwanangu
usaudze baba vako kuti tambo buda gedhi,kana
kuvaudza nezva Rutendo, iwe unongoti ndimama
vandi namatira ndikapora hantie,
(Tanaka)*haisi kana nyaya ndongo vaudzawo kudaro,
saka mama chiregai ndorara because ndotoziva kuti
kana Baba vaenda kumutambo yavo ,havadzoki nhasi
,worse uko kuna Mwanza ,havatouyi zvekumhanya,
nekuti Baba ndovaziva kana vakaonana naMwanza
vanoita sevaona mwari ,kutokangamwa nhamo dzese
zvavo ,saka mama regai ndorara , Baba ndozo vaona
makuseni ndamuka ,..Tanaka anobva asumuka
,ndokuenda mumba kuno zvirarira ...,Mai vacho vano
Sara vachidzima moto, vapedza kudzima moto
vanobva vaendawo mavo mumba ,ndokuno rara.
Brain akagara muBoesky make manheru ,sezvo hope
dziramba kuuya nenyaya yeStress, uku Brian stress
dzakazara mumusoro make, uku achifunga
mupfungwa dzake achiti* nxxxx, zveshuwa zvinhu
zvochinja ,ndini here Brian chaiye ndaku itisiwa
Gatemen nemumwewo murume nxxx. Saka iye
mupfana Vincent ano funga kuti ka$150 kaanoda
kundipa pamwedzi ,kano tengei iko kaya nxxxxx, kuto
taura achiti *heee ndokuwedzera yoita $160, kasi
anofunga kano shamisira here kamari kake, mupfana
Vincent haazivi kuti ndaifamba nemota dzotyisa ini. ,
haaa zveshuwa hupenyu ishit ,ikozvino ndakurara
pachimubhedha chemu chipatara muchimba chino
nxxxxx ,ini ndanga ndajaira kurara paQueen Bed
,ikozvino ndaku mirira ka$150 kupera kwemwedzi
,apa ini ndanga ndajaira kubata ma$100 000.00 per
week, nxxxx zvisinei ndongo shandawo 2 months
,ndobva ndasiya chibasa ichi ,ndovhura business
rangu ,eishhh mwari saka Rutendo ndomuwanepi
kana ndaku muda, ko kuzoti kana akaziva kuti ndava
tsuro achati kudi ,ko rough yanda imuita
,ndichimurova nezva ndakambomuita mutown zviya
kuti achiri kundida here?,eishhh kuzoti vabereki vake
vaka zozviziva ,maihwe worse chaiyo ,hameno
ndichadi .. Pano kungo shandawo 2 months ndosiya
because ini Brian handisi Class yekuita tuma basa
twakadai ,ndichi itisiwa nevapfana vadiki kwandiri ava
nxxxxx, chirega ndizvi rarire ini.
Ava makuseni Rutendo ari pakati pekutsvaira
mumba, anohwa phone yake ichiringer iri muBra
raanga akapfeka ,Rutendo anobva abuditsa phone
muBra ndokuona ariVincent ari kuphona ,zvisinei
Rutendo anobva aanswer call iya,,,
(Vincent)*hi mama
(Rutendo)*hi daddy
(Vincent)*ndiri right ,ko nhasi uri busy here ,
(Rutendo)*no handisi busy, why wavhunza
(Vincent)*ndikudawo kuuya kuzokutora uzoonawo
pandi nogara,
(Rutendo)*ok unouya kuzo nditora but handipedzi
kana 3 minutes ndiri kumba kwako ikoko ,ndangoti
ugare wazviziva,
(Vincent)* ok cwty ndakuuya kuzokutora ,
(Rutendo)* its fine daddy I love you so much ,ko
Garden boy maka zomuwana here?
(Vincent)*ehe ndaka muwana ende ano shanda
zvisingaiti.uchamuona nhasi
(Rutendo)*ok thank God ,saka Dady chiregai ndigeze
,uye mokurumidza kuuya because ndoda
kukurumidza kudzoka pamba,
(Vincent)*ok cwty ndoita sekutaura kwako
,,,,RUTENDO ANOBVA ADROPER PHONE NDOKUBVA
AENDA KUNOGEZA...
Rutendo apedza kugeza ,anobva anatso poda kumeso
kwake , ndokubva anotso pfeka dress rake reRed
raaka tengegwa naMai Ticha ,apa dress iri risamufite
so, chivakashure chake kubva chanatso buda kukura
kwacho kwese ,uku chakaumbika chaiko ,uku mahips
akanatso buda zvekuti waiti ukamaona so, wega
waimwa mvura ,apedza kupfeka dress nekupoda
,anobva apfeka Gogo rake reBlack ,apedza kudaro
ndobva ayenda pana Mai Ticha ndokubva ati *Mai
Ticha zvirisei zvanda kapfeka asikana ,..(mai Ticha
ndikuti *ehhh I exhalant chaiyo ,ende wabva wanatso
buda kunaka kwako kwese, eishh ko chivakashure
kukura here uku asikana ,uye ndiyani iyeye
wawachenera kudai ..(Rutendo ndokuti) *ndiVincent
,saka Sisi ndikumbirawo musare naBhule ndodzoka
maimanje so,,(Mai Ticha ndokuti) *hapana chakaipa
,,,,,..Nguva iyoyo Rutendo anobva ahwa huta remota
yaVincent richirira pagate ,Rutendo anobva abuda
achimhanya ,ndokunopinda mumota yaVincent
ndokubva vaenda kwaVincent
END OF CHAPTER 25
---------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 26

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631
*RUTENDO ANOBVA ABUDA ACHIMHANYA ,NDOKU NOPINDA MUMOTA YAVINCENT,
NDOKUBVA VAENDA KUMBA KWAVINCENT*.

Zvisinei Pasina chinguva vaviri ava vanobva vasvika pagate Pemba yaVincent ,.Vachisvika paGate
kudaro ,Vincent anobva atanga kuridza huta yamota yake kuitira kuti Gatemen wake avhure
Gate ,,,Brian achihwa huta yemota, anobva amhanya ndoku novhurira Boss vake Gate ...Vincent
paanoa Gate ravhugwa ,anobva apinza mota yake mukati meyard ,ndoku noipaker paGarage pake,..
Brian anobva avhara gate sezvo mota yaBoss vake yanga yapinda ,..Brian apedza kuvhara gate
anobva atanga kuti* *arrrr mupfana Vincent anorema , ziBabie rake here randaona mumota
pandanga ndichivhura gate, eishhh but Babe rakanaka iro, apo mupfana Vincent akagonawo
kunyenga ,ukaona munhu anooneka kunaka arimumota kuzoti kana ari panze kee, hazveshuwa
kasikana kake kagetsi mutosvo chaiyo ,,ko ngava bude mumota ka, tinatso ona kuti structure iripo
here paBabe rake?*.*
Zvisinei Vincent anobva avhura door rekuside kwake ,ndobva aburuka mumota ,aburuka kudaro
ndobva aenda kuna Rutendo ndokusvika achi muvhurirawo door ,Rutendo anobva aburuka mumota
ndokubva amira paside paVincent ,uku Rutendo achimboona imba yaVincent ,achinatso ona kuti
zveshuwa paita zveimba yakanaka apa ,chero yaBrian yanga isi ngakwani apa. Zvisinei Vincent
anobva ati* *Rutendo sweetheart ,this is my house ,ndipo patichange tichigara tese kana taroorana
hantie ka honey*. ,Rutendo anobva angoti* no problem daddy ,and your house its nice .. Uku Brian
arikugate kwake achiona ziBabie raVincent ,anobva ati* *ummm ya mwana ana Vincent uyo
akanaka vakomana Jealous down ,muhupenyu hwangu hwese handisati ndambo danana nemwana
akanaka seuyo ana Vincent, ummm icho chivakashure chacho eishh chabva chanditora moyo ,kubva
ndahwa kuda kutomborova chimhandara maoko chaicho,umm saka kureva kuti chimupfana Vincent
chiri kuseri chaiko , pamwana uyo Vincent akuita kunonzi kudya namambo chaiko,, ummm inguva
hayo but pasina Godo haaa Babe rake raka rongeka zvaro*...
Zvisinei Vincent anobva ati kunaRutendo* *Babe hende mumba because panze pano ungatsve
nezuva iri* ,, Rutendo naVincent vanobva vapinda mumba ndokuno gara pasofa musitting room
,kaVincent kanobva kazvambarara pasofa, ndobva kaisa musoro wako pama kumbo aRutendo
,..Vincent kanobva kati kuna Rutendo *sweetheart unoda kuona Garden boy nahouse girl vangu
here ,in case kungoti vagare vaziva kuti ndiwe mukadzi wangu?.. Rutendo anobva apindura achiti *
its fine hun ngavauye havo ,apa Daddy makatsamira makumbo emukadzi wenyu, mune musikahwa
Daddy kkkkk,.. Vincent ndokuti *hantie ndakatsamira makumbo emukadzi wangu here ,ndiyani
anga ndivhunze iyeye kkk. ..Nguva iyi Vincent anobva ashedza Anna ,,,Pasina chinguva Anna
anosvika ndoku pfugama pasi ndokuti *Mandidana here Mukoma Vincent ,ndahwa senge manga
muchindidana *,,, Vincent anobva ati *Ehe ndini ndakudana ,enda unodana Garden boy umuudze
kuti akudiwa naBoss kuno ,Mese ndoda kuku ratidzai mukadzi mukadzi wangu uyu.. Anna anobva
ati *ehoi mukoma,.. Anna anobva asumuka ndokuenda kunodana Gatemen vaye,.. Vincent ano
mbosara achikisa mukadzi wake , akamirira kuti gatemen wake auye.

Anna achisvika pana Brian ,anobva ati .


(Anna)* mukoma Brian mukudiwa naBoss Vincent mumba ,kwanzi tiuye tese tiri two
(Brian)* kwanzi akudei futi, haa anonetsa uyo
(Anna)*kwanzi ndiri kuda kuku ratidzai mukadzi wangu
(Brian)* nxxx vanaVincent vane problem ,vaka ngodanana nemunhu 1 day chete ,vakutoita senge
vaona Jesu nxxx, hazivi kuti isu titori nevakadzi vanaRutendo, zvese nevana tinazvo but hatiiti
sezvaanoita izvi nxx ,,,zvisinei Anna hende kwacho tingonoona kamukadzi kacho zvipere.
Brian naAnna vanobva vaenda mumba muya ,Uku Anna ndiye aitungamira ari mberi ,Anna
anopinda mumba umu ndokugara pasi. Brian asati agara anotanga atarira kumeso kwemukadzi aive
akararigwa pamakumbo naVincent ,Brian achitarira kumeso kwemukadzi uyu , ndokuona arrr nhai
mwari zvaari Rutendo mukadzi wangu (Mai Bhule) chaivo, Nguva iyi Brian anobva abata musoro,
ndokubva angoita statue akango bata musoro wake uku misodzi yake inobva yatanga kubuda,, Uku
Rutendo achiti baaa kuna Garden boy vaya, ndokuona arrr nhai mwari wangu zvaari Brian ,
Rutendo anobva muromo wake kuratidza kushamisika, nguva iyoyo akabata muromo anotanga
kubuda misodzi akatarira kuface kwaBrian nezvanga zvakapfekwa naBrian ,.Nguva iyi Vincent
anobva abvisa musoro wake pamakumbo aRutendo ndobva ati kunaRutendo *cwty what's going on
here, ko wakuchemei ,chiii chikuitika kasi mozivana here?? Vincent anobva akisa Rutendo ndokuti
*tell me cwty kuti mozivana here?? ..But Rutendo hapana chaaka pindura ,.. Nguva iyoyo Rutendo
akabva asumuka paSofa iri ndokubuda door ndokuenda kumba kwavo uku achifambisa ..Vincent
akamboyedza kuda kuzama kubata Rutendo kuti asayende but zvakaramba because Rutendo
aifambisa,, apa still Vincent haana chaanga achiziva .Uku Anna ziso richingoti bhwayi bhwayi
kuratidza kushamisika nezvaiitika padzvimbo,.. Vincent anobva ati kuna Brian *nhai Brain kasi
mukadzi abuda Mumba muno uno muziva here?? ...Brian haana kupindura ,nguva iyoyo Brian
akabva abuda mumba umu ndokunogara kugate pachair yake akabata shaya uku misodzi ichiita
kuyerera seziya zvekuti waiti ukamuona waifunga munhu anaiwa iyo iri misodzi ..Uku Vincent
anobva ati kuna Anna *nhai Anna une Idea nezvikuitika izvi here ???.. Anna anobva ati *kwete
Mukoma handina chandoziva ini ,.Anna anobva abudawo mumba umu ,ndokusiya Vincent ari ega
mumba make

Mai Ticha varikumba kwavo vari pakati pekutamba naTicha naBhule , vanoona Rutendo achipinda
Mumba misodzi iri pamatama,uku Rutendo achipinda mumba ,anosviko zvikanda pasofa uku
akasunga chiso,Mai Ticha vachiona izvi ,zvinobva zvava shamisa vanobva vati*
(Mai Ticha)*nhai Rutendo kuzo pinda mumba wakatsamwa kudai kwakanaka here, ko misodzi
ndeyei ? Kasi warohwa naVincent here ?
(Rutendo)* kwete zvekurohwa sisi
(Mai Ticha)* saka chii manje ,taura neni
(Rutendo)* haayas zvakaoma zvekurarama ,pasi pano
(Mai Ticha)* chiii chanetsa ,taura neni
(Rutendo)* mozivei sisi ,ndadaniwa naVincent achiti ndoda kuti uone pandogara uye ndoda kuku
ratidza garden boy wangu ,zvisinei taenda kumba kwake tasvika tapinda mumba tagara ,Tagara
kudaro abva adana Garden boy wake nahouse girl wake kuti vazondiona ,kana vandiona next time
vanenge vakundiziva ,, zvisinei Time yauya Garden boy ,ndabva ndatarisa kumeso kwaGarden boy
wacho ,ndokuona zvavari Baba Blessing ,moziva ka ndabva ndaita battery low chaiyo
(Mai Ticha)* arrrrrr ukureva kuti Brian akushanda pamba paVincent ,uye ukureva kuti Brian ndiye
garden boy waVincent arrrr ishura kairi ,ukurevesa here,
(Rutendo)* shuwa sisi ini handinyepi
(Mai Ticha)* saka iye Brian akuonawo here
(Rutendo)*ehe Brian andiona akatanga kuchema
(Mai Ticha)*eishh haa saka pakaipa, saka uchadi manje?
(Rutendo)* hameno ,ndibetereiwo kufunga sisi ,because ini ndapererwa
(Mai Ticha)* umm ini hangu ndongoziva kuti Vincent anokuda uye ndongoziva kuti Brian ndibaba
vaBhule , ini hangu handina advice yandinayo but ndongoti kana wazoona zvichinetsa
unongosiyana nazvo uye pane zvese zvaukuita shandisa njere ,uye tungamidza mwari mberi chete ,
(Rutendo)*ok sisi eishh musoro wangu wakutotema nenyaya iyi,
(Mai Ticha)* chimboenda mubedroom umbonorara ,pfungwa dzimbo zorora
(Rutendo)* shuwa sisi pamwe pando zomuka ndenge ndafunga zvakanaka.. *RUTENDO ANOBVA
ASUMUKA PASOFA ,NDOKUENDA MUBEDROOM KUNORARA.*

Sezvo musi uyu yanga iri Sunday ,. Pastor vanga vari kuchurch kwavo vari pakati peservice yavo
vachiparidza vachiti .*Hama dzangu last time takadzidza nezve Restoration from Jesus hantie ka,
saka nhasi toda kudzidza nezve panotangira chivi, ok the Bible says if you look at a woman
lustfully ,you have slept with that woman ,saka nhasi mese zvamuri pano makatarisa mwana
waMaster and Actually nemiwo matovawo vana vaMaster , uye Mwari wedu arikumusoro kudenga
momboziva anesimba huru here ,but iwewe unogona kungovawo mwari kana uchida mozviziva
here? uye imwe nyaya yandoda kukuudzai ndeyekuti musachiva zvinhu zvamunoona mudzimba
umu , Regai ndimbo kuudzai imwe nyaya so ,Paiva nevamwe Baba so vakaurayisa vana vavo vaviri
nekuda kwemari, But ikozvino Baba ivavo havasisina rugare Mumba mavo nekuti vana vavo
vanopfuka zvipoko everyday manheru, saka inini baba ivavo varipano ,muchivaona munogona
henyu kuchiva mota dzavanofamba nadzo but actually baba ivavo Mumba havasisina mufaro,
ndiudzei kana vakaurayisa vana , saka mari yacho vachaidya nani ,hamuoni kushaya njere here
ikoko , saka panguva ino ndoda kukunamatirai kuna mwari kuti kapfungwa kekuchiva kabvisiwe
mamuri namwari ,,,Nguva iyi Pastor vanotanga kuti *mwari ndikumbirawo mubvise kapfungwa
kekuchiva pavana venyu ava ,varatidzei gwara rakanaka ,mwari wedu ma .ma .ma.ma .MASTER
tokunamatai tenzi ,right now ndinoti out kamweya kekuchiva ,Master I said out right now
,....Nguva iyoyo vanhu vese muchurch vanobva vadonha pasi ,..vaya vekubuda maDemon everyday
vachibuda , .vapedza ipapo church inoenderera mberi ...

Kwakuda kunovira ,Mai Ticha vagere mumota yavo vachifunga nezve nyaya yaRutendo yekuti
Brian akushanda kwaVincent.. Mai Ticha vanotanga kuti* haa izvi zvakatooma chaizvo ,izvi
zvotoda kunamata nekutsanya mukati ,saka manje hope dziya dzandakarota dzaVincent naBrian
varizvitunha ,hope dziya dzinenge dzeshuwa ,because nezvakuitika izvi ,handichazvihwisisi ini
,pamwe dzaingovewo hope zvadzo but ummm ini kubva kuberekwa kwangu ndinorota
zvinoitika ,,manje Rutendo ndikamuudza nezve hope idzi , dzozokona kuitika ,anozofunga kuti
pamwe ndino mushuvira zvakaipa saka Best way rega hangu ndinyarare hope dzangu but pliz
mwari fambai naRutendo pose paari netenzi*

Vincent arikumba kwake uku musoro wake uchipisa kufunga kuti Brian angava chii chaRutendo?
Vincent anobva ati better ndifonere Rutendo ndinatso kumuvhunza pamwe hasha dzake dzapere
ikozvino ,,,Nguva iyi Vincent anobva azama kufonera Rutendo but phone haina kudagwa ,..Vincent
anobva ati apa munhu umwe anga tondiudze dotcom rese ndiBrian ,saka better ndiyende paari
ndinovhunza ,but kana akakonewa kupindura ,basa rake rinobva ratopera ,,...Vincent anobva ayenda
kunaBrian ,..Vincent achisvika pana Brian anobva ati
(Vincent)* nhai Brian ndokumbirawo kuvhunza kuti Rutendo chii chako ,uye unomuzivirepi?
(Brian)* Rutendo ndisisi vangu ,that's all chibva pandiri,
(Vincent)*no tsano hazvisi zvehasha ,am very sorry nekushaya respect kwandaita kwamuri ,ini
ndanga ndisingazivi ndisisi venyu ,am very sorry tsano,, but manje sisi venyu ndovada zvikuru,
ndikutoda kutovarora
(Brain)* hoo
(Vincent)* tsano ndicha kutsvagirai basa ririnani don't worry ,saka tsano Baba vemwana waRutendo
varipi?
(Brian)*hoo
(Vincent)* kungovhunzawo tsano ,but haisi nyaya ,ini ndakawa kuti baba vemwana waRutendo
irombe guru, kwanzi raiita zvezvikwambo ,ndobva radzinga Rutendo pamba zvese nemwana,
nenhahu yekuti rakaromba , hanzi rinotongewa nezvikwambo , ziBaba racho richagwadziwa
rakuona Rutendo akasenga pamuviri pangu mazuva anotevera ayoo.. ..Nguva iyi Brian achihwa
izvi, anobva aridza tsamwa ndobva asumuka ,ndokunogara kure naVincent ....Vincent anobva aziva
kuti tsano vakugwadziwa ,kasi vanodawo sisi vavo here? Shuwa vanga gwadziwe nemunhu akuda
kutorora sisi vavo ,,izvo ndezvavo izvo nxxxx, vakada kugwadziwa manje havapori, Vincent
kanobva kadzokera mumba mako...

Ava manheru Brian akagara panze hope dzaramba kuuya ,uku Brain achifunga achiti* nhamo
neman'a hazvisiyani zveshuwa ,ini ndirikuti ndoshanda 2 months ,kana ndawana mari yangu
ndotsvaga mhuri yangu totanga hupenyu hutsva, izvo mhuri yacho hapasisina, mukadzi ayenda
naVincent . Manje haaa Vincent yaatanga haiperi zvekumhanya ,handingasiye mukadzi achitogwa
nemfana mudiki uyu nxxxxx ,eishh nyaya yakunetsa apa manje ndeyekuti ini ikozvino ndava
tsuro ,handina kana Jira zvaro ,saka Rutendo achati kudi nazvo ,plus mupfana Vincent masikati
paya ataura nezvezvikwambo zvandaive nazvo ,saka kureva kuti akaudziwa naRutendo saka umm
vakuto pengesana vanhu ava ,eishhh haa iyi ndiyo inonzi wastak chaiyo .. Saka Rutendo pano
achadzoka here?,saka ini ndodi manje ,aiwa ndagaya zano ,mangwana makuseni ndichakumbira
Anna phone yake ndophonera Rutendo ndohwa kuti mwana wangu arisei uye ndobva
ndangozamawo kumunyengerera but challenge yacho ihombe ,handifunge ndichiri kudiwa paya
,but ummm zveshuwa mupfana Vincent akasasiyana nemukadzi wangu ka ,tichaita second
chimurenga chaiyo ,handizivi mushe ..kana achida kuziva rough yangu ngavhunze Rutendo kana
Morris vano muudza kuti Brian is a wrong person ,

Ukuwo Vincent kari mubedroom mako ,kachifunga kuti *saka mukadzi wangu Rutendo atsamwei
nhai mwari ,kasi atsamwa kuti ndikuita Bhudi vake Garden boy here ,manje ndozvinga tsamigwe
here izvozvo ,hantie vanhu totaurirana here ,Apa zvoto ngooneka kuti Brian anga achirevesa kuti
ndiBhudhi vaRutendo , Because dai anga achinyepa dai Rutendo asina kumbotsamwa , saka apa
rega ndiphonera Rutendo ndichinatso muvhunza kuti Brian chii chake ,ndinatso kuhwa mhinduro
yake kuti inoti chiii. Zvisinei Vincent anobva aphona panumber dzaRutendo ,zvisinei Phone
yaRutendo inobva yadavigwa ..
(Rutendo)*hallo Vincent
(Vincent)* ndyp cwty , ndokumbirawo kuvhunza
(Rutendo)* vhunza hako
(Vincent)* Brian chii chako cwty
(Rutendo)*

END OF CHAPTER 26

---------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO

CHAPTER 27

STORY BY SIMON PHIRI


+263771643631

Zvisinei Vincent anobva aphona panumber dzaRutendo ,zvisinei pasina chinguva phone yaRutendo
inobva yadavigwa..
(Rutendo)*hallo Vincent
(Vincent)* ndyp cwty ,ndokumbirawo kuvhunza ka.
(Rutendo)* Vhunza hako
(Vincent)* Brian chii chako cwty?.
(Rutendo)* iye haana kukuudza here?
(Vincent)* andiudza hake.
(Rutendo)* akuudza kuti chii,?
(Vincent)* andiiudza kuti ndibhudhi vako.
(Rutendo)* hooo wanyepegwa, anywhere he did it for the sake of me and you ,saka nyaya iyi
haipere Vincent ,and you know what daddy.
(Vincent)* what cwty?
(Rutendo)* vabereki vangu they might come back any day,so kana vauya then wochi ndirora ,then
kana wandirora tobva tatanga kugara tese ,, takugara tese kudaro, ndinobva ndakuzvarirawo
kaVincent kacheche kako. so zvoita here daddy?
(Vincent)*ehe zvinoita cwty ,hapana choramba ende ndafara mukadzi wangu nezvawataura izvi..
thank you so much mukadzi wangu ,ufunge ndokuda zvisingaiti ,saka Babie mangwana unoda mari
here ndigokuvigira?
(Rutendo)* mari kwete daddy, mari iyoyo chengetai nekuti very soon tichange takutenga zvinhu
zvedu zvemuchato saka hatidi mari igozoshota kkkkk joking zvangu ,saka Daddy tozotaura
mangwana makuseni, chiregai mukadzi wenyu arare hantie ka.
(Vincent)* its ok mukadzi wangu ,urare waka chengeta zvinhu zvangu hantie ka??
(Rutendo)* like always, zvinhu zvagara ndezvenyu mega, ok goodnight daddy byeee
(Vincent)* same to you byee..VINCENT anobva adroper phone ,ndokutanga kufara kuti ataura
nemukadzi wake ,apedza kufara kudaro anobva aendawo mubedroom make kunorara, sezvo
hwanga huri husiku.

*Ava makuseni manje,*


Oshhh Rutendo ,ooo cwty Rutendo oshhh hun, oshhh ukundikuvadza neku nakigwa oshhh ,aaaaash
hun ,ooooo zvikunaka eishhh, natso vhura ndipinze yese cwty oshhh,,,eishh cwty iwe kani
ukundinakidza kani Rutendo ooosh mai Bhule ,natso kundi batirira ,ashhh umunandi babie, ooosh
Rutendo kani oshhhhh zvikutapira kani mukadzi wangu, oshh chimbomira ndiuyewo pamusoro
ummmwaaa, oshh zvikunaka oooshh ndofa nekunakigwa ,ooshhh zvikutapira kani mukadzi wangu
ende unonaka ushh...UYU NDITANAKA AIITA IZVI ARI KUHOPE, Tanaka ari pakati peku
enderera mberi neizvi, anobva anzwa achidigwa mazimvura mumagumbezi imomo ,mazi mvura
anotonhora chaiwo. Zvisinei nguva iyi Tanaka anobva avhunduka ndokubva apepuka achisvetuka
kubuda mumachira umu ,abuda mumachira kudaro ,anobva atarira padoor remumba make ,anobva
aona Mai vake vakamira padoor ipapo uku vakabata bucket risisina mvura uku vachikuvara
nekuseka zvisingaiti vachiti, *Tanaka mwanangu ,unoitirei zvonyadzisa kudai kkkkk, shuwa kana
dziri mbanje dzaukubema dzikukutuma kuti uite tsika yekurota uchiita Bonde naRutendo mukadzi
wemunhu ,haaaa mbanje idzodzo dzakashata dai wadzirega, Kana kuti pfungwa dzako ndidzo
dzatanga futi masitayera aya ,kkkkkkkkk yohweee ,haa kuzvara uku ,dzimwe nguva vanaMai
tomboonerera kkkkkkk wuri zvakaoma,.. Nguva iyi Tanaka achiona mai vake vachimuseka anobva
atsamwa ndokuti *mama munobhowa sitereki ,shuwa mungandimutse ndiri pakati pekurota hope
dzinonaka seidzi nxxxx ,Rutendo wenyu handina basa naye uya ,nxxxx mama mandibhowa sitereki,
shuwa kundimutsa ini ndiri pakati pekunakigwa, haaa munobhowa mhani nxxx... Mai Tanaka
vanobva vati *kkk wakaura ende hapana zvaungandiita ndini mai vako vakakuzvara kkkk ,zvisinei
Tanaka ndauya muno kuti ndizokuudza kuti kwayedza chimuka tiende kuHuni,.. Tanaka anobva ati
*nxxxx horaiti chindimirirai panze ,ndikuuya tiende kuhuni kwacho. Nxxx apa machira angu
anyorova, ndango kunyarai kuti muri mai vangu chete ,zvekuti dai musiri mai vangu haa nhasi
tainetsana. ..Nguva iyi Mai Tanaka vanobva vaseka ndokubva vabuda mumba maTanaka ,ndokubva
vano mirira mwana wavo Tanaka vari panze.. Uku Tanaka ari mumba achingopopota achiti *nxx
mai ivava vanenge vakupengawo ,shuwa munhu anga ndivhiringidzire hope dzanga dzichinaka
kudai nxxx,ini Rutendo ndagara handinawo basa naye neniwo nxxxx, iwe Rutendo usauye kuhope
dzangu futi ,gara kumba kwenyu ikoko ende handiuyiko futi nxxxx, ..Tanaka apedza zvaaiita
,anobva abuda Mumba ,ndokubva atora bhara rake nedemo, ndobva aenda kuhuni naMai vake...

Brian achangopedza kuvhara Gate ,sezvo mota yaBoss vake yanga ichangobuda ,,Brian apedza
kuvhara Gate iri anobva ati chance given, sezvo Vincent abuda kudai kureva ndatowana mukana
weku kumbira Anna phone yake ,ndiphonere Rutendo,. Brian anobva ashedza Anna ,pasina
chinguva Anna anouya ,ndokusvika achiti mukoma Brian mandi danireiko ..Brian ndokuti*
(Brian)* shamwari Anna ndokumbirawo phone yako ,pane munhu wandi kuda kutaurawo naye
kwe2 minutes chete...
(Anna)* ndiyani wamukuda kutaura naye mukoma.
(Brain)* ndikuda kutaura naRutendo ,
(Anna)* aaaa moda kundi dzingisa basa naVincent ,imi muchiona mabasa achidai kunetsa
muzimbabwe muno, kasi hamuzivi Rutendo mukadzi waVincent here ?, hooo ndazoziva ,saka musi
uya pama kachema tiri mumba maVincent ,saka maichemera kuti makatangigwa kunyenga babe
naVincent ka?
(Brian)*no hazvisi izvozvo Anna,
(Anna)* saka chii manje ,, taurai chokwadi nekuti makasa taura chokwadi ,phone handikupeyi?
(Brain)* ok ndakukuudza chokwadi but isecret yedu please usaudze munhu.
(Anna)* taurai mukoma pamwe ndinga kwanisewo kukubetserai nezvimwe.plus hapana
wandomboudza nekuti handina hana nhete.
(Brain)* ok chokwadi Chiripo ndechekuti Rutendo mukadzi wangu but ... (*Anna paakahwa Brian
achiti Rutendo mukadzi wangu ,Anna akabva atanga kubvaruka nekuseka zvisingaiti achiti *imi
mukoma Brian kwanai mhani ,nezvamuri izvozvo mofunga kuti mungaite mukadzi akaita
saRutendo ,makamboona zvichiita here izvozvo kkkkk, kasi mukufunga kuti mukutaura nemwana
here? ,kana muchida phone mokumbira nenzira kwayo ,kwete kuda kuita semakangwara imi
musina, ..zvisinei oyi phone iyi but pliz matext angu musashandise because ndoando taura nawo
nemukomana wangu... Zvisinei Brian anobva agamuchira phone iyi, ndokubva ati kuna Anna
*thank u so much Anna ,may God bless you ...Brian anobva abaya number dzaRutendo paphone
iyi ,sezvo number dzaRutendo aiidziziva nemusoro saka zvakamuitira easy ,zvisinei anobva aphona
number dzaRutendo ,,then pasina chinguva phone inotanga Kuringer ,ichangotanga kuringer inobva
yatodavigwa ipapo ipapo ,..
(Rutendo)* hallo ndiyani uyu?
(Brian) * Rutendo ndini Brian, baba Blessing
(Rutendo)* hoo ,saka ndinga kubatsirai nei?
*nguva iyi Brian anobva atanga kuchema uku achiti*.Rutendo ndokumbirawo ruregerero ndichiri
kukuda shamwari, ndoziva hangu ndakatadza but ndoziva mukadzi wangu une moyo wekuregera
,hona Rutendo kubva zuva rawabuda muhupenyu hwangu ,zvinhu zvese zvakabva zvaita Bad to
worse ,saka ndiregererewo mukadzi wangu undipewo mumwe mukana wekuti titange imba zvekare
plizz ,ko arisei Bhule mwana wangu.?
(Rutendo)* Brian wakangamwa zvazuro nehope nhai ,Brian ndaikuda nemoyo wese ,but Brian
wakandibata nekuseri kweroko ,Brian waigara uchindiita muranda pamba pako ,Brian ndaive
ndakakuda nemoyo wese ,Brian wakandiwana ndiri mhandara ndobva wandibvisa humhandara
ukandizvarisa mwana wako ,wapedza kudaro ndobva watanga kundiita musungwa pamba pako,
ndakaedza kukutsiura but wakaona sendopenga ,saka Brian ini newe zvakatopera ,murume
wangu ,nekuti mukana ndakakupa wakautambisa Brian ,ende Brian waka paradza mhuri yedu ,ko
wani zvatairarama zvakanaka mazuva ekutanga ,ko chii chaka zokupinda murume wangu, chii
chakakutuma utsvage zvikwambo ,ikozvino chiona Brian zvawave ,watova chisekwa chenyika
,wava Garden boy wemumwe kumunhu mudiki kwauri, Brian sorry hako nekuparara kwezvinhu
zvako ,ende ndikukuhwira tsitsi but chokwadi moyo wangu wava panaVincent Boss vako ,iwe
wakandiramba kare ukanditi ndiri hure ,ndobva wandidzinga pamba pako ,saka ini ndazowanawo
Vincent anondida nehuhure wangu ,uye anoda inini nemwana wako zvese .saka Brian waita Basa
hako nekufona ,ndafara ndahwa voice rako ,uye mwana wako aripano unoda kutaura naye here ??
(Brian)* ok mupe phone hako ndimu mhorese ,.... Rutendo anobva aisa phone panzeve
yaBlessing ,ndokubva ati Bhule taura naBaba ,..Zuva iri ndiro zuva rakava zuva raBhule rekutanga
kuburitsa word ,Bhule akaburitsa word rekuti (papa)* kana Rutendo zvakabva zvamushamisa ,..
Uku Brian achihwa aichidaidziwa paphone nemwana wake kunzi (papa) ,Brian akafara zvikuru
ndokubva ati* Bhule mwana wangu ,sorry hako nezvandakaita ,ndoziva hangu urimudiki but Hondo
yese yandaiita namai vako unoiziva ,apa ndoda kungoti Bhule mwana wangu ndokuda zvikuru
,don't worry mwanangu zvinhu zvichanaka mwangu ...Nguva iyi Rutendo anobva abvisa phone
panzeve paBhule ,ndobva ati *Brian uchiri nezvimwe zvaukuda kutaura here??
(Brian)* hapasisina hapo but Rutendo ndichiri kuku ,..Brian asati apedza kutaura anohwa phone
yato katiwa naRutendo ,,,,Nguva iyi Brian anobva adzosera Anna phone yake ,uku misodzi yaBrian
ichiyerera zvekuzara hovhorosi yose,.. Anna anobva atanga kuhwira Brian tsitsi, uye Anna ndipo
paakazobvuma kuti Rutendo mukadzi waBrian ,because aihwa zvese zvaitaugwa paphone naBrian
naRutendo ,...Anna akabva angoti *mukoma Brian am sorry nezvakaitika muhupenyu hwenyu but
anywhere shingai kunamata mwari vanopindira ,..Anna apedza kutaura izvi anobva asumuka
ndokuenda kunoita basa rake,.. Ukuwo Brian angori ziii ,misodzi ichiyerera ,Brian aka zongoguma
abatiwa nehope agere pachair ipapo paanga akagara.
Vincent achisvika pamba panaRutendo ,anobva apaka mota yake paGate pana Rutendo, ndobva
asenda massage kunaRutendo yakanzi *hun huya ndiripaGate ...Rutendo arimumba anobva aona
massage iyi ,Rutendo anobva abuda mumba ndokubva aenda kugate kuna Vincent , Rutendo
achisvika paGate ,anobva apinda mumota yaVincent ndokugara paside nemukomana wake
Vincent ,,,Vincent anobva ati.
(Vincent)* ndeyp Babe
(Rutendo)* urisei cwty.
(Vincent)* ndiribho zvangu , pane zvandanga ndafunga saka ndati ndidarike ndichikuudzawo
(Rutendo)* mafungei ko daddy?
(Vincent)* hantie unoziva kuti life is too short ka, so ndanga ndafunga kuti ndiise Zita rako panext
of kin yezvinhu zvangu ,kureva kuti ndoda kuisa Zita rako pabepa reimba yangu kusanganisira neku
Car sale kwangu ,in case pakaitika anything ndikashaikwa panyika, unokwanisa kuwana chinosara
chichi kubetserai iwe nemwana wangu Bhule ,
(Rutendo)* no dady musataure muchidaro ,muno ndigwadzisa kani ,hapana zvinomboitika kwamuri
because mwari wandonamata mupenyu ,saka don't worry about izvozvo zvekuisa zita rangu
pazvinhu zvenyu, tichazozviona nekufamba kwenguva but not now ,also thank you nerudo rwenyu
daddy
(Vincent)* ok handisikuti ndakufa ,but life is temporary so ndogona kuzotogwa namwari kana
nguva yangu yakwana ,that's why ndanga ndichida kugara ndagadzira remangwana rako , sezvo
simbi inorohwa ichapisa.
(Rutendo)* no cwty haichipera nyaya iyi ,nekuti ukaramba uchitaura zvakadai moyo wangu
unogwadziwa ,saka unoda kundisiya ndava chirikadzi arrr that's not fare daddy .
(Vincent)* ok cwty ,sorry handife ndakusiya kusvikira ndapinda muguva .
(Rutendo)* kana neni Vincent ,ndicharamba ndichikuda kusvika Amen.
(Vincent)* ok cwty ,oo $300 iyi ,ugonatso tenga hembe dzaBhule nedzako ,plizzz kwanhasi imbo
gamuchirawo mari yangu ,plizz ndokumbirawo cwty.
(Rutendo)* mari bodo cwty ,uchazondipa hako rimwe zuva hantie ka,
(Vincent)* haya its ok babie ,chirega ndiyende kumba ndozokuona mangwana hantie ka?. ,Nguva
iyi Rutendo anobva akisa Vincent ,apedza kukisa Vincent anobva ati *bye bye daddy mufambe
zvakanaka. ,Rutendo ndokubva abuda mumota umu. .Vincent anobva amutsa mota yake ndokubva
arova pasi.

Ava manheru Brian akagara muBoesky make achifunga achiti *nxxx zvazvakatooma shuwa , ini
Brian ndatotoregwa mukadzi namupfana Vincent ndakatarisa ,aiwa bodo hazvingadaro zvee ,
Vincent haana kodzero yekuvhurigwa makumbo naRutendo ,ini ndini ndega ndine kodzero
yekuvhurigwa makumbo naRutendo ,,saka apa ndodi manje kuti Vincent asiyane nemukadzi
wangu ,apa Rutendo wacho abuda pachena akati haachisina basa neni ava kuda Vincent, ummmm
apa Vincent atamba nemadhaka pasina mvura, zveshuwa Vincent atamba newrong person ,nezuro
masikati kutondisvotesa mupfana Vincent. Hanzi hee baba vemwana waRutendo vachagwadziwa
vachiona Rutendo ava nepamuvira pangu ,nxxx zvagara zvotondigwadza kaizvozvo ,zvisinei
varungu vanoti if you love something ,you have to fight for it ,saka nyaya yega yasara apa
ndeyekutombo shandana naVincent toona achakurigwa.

*MASTER MASTER KWECHU. MASTER MASTER KWECHU.* Ava ndiPastor vaiita izvi
variparwizi, apa pari pakati pehusiku .Zvisinei Pastor vapedza kutaura izvi vanobva vanyangarika
,ndokubva vabudikira vava pasi pemvura ,Pastor vari pasi pemvura kudaro, vanobva vafamba
ndokunogara padzvimbo yavo yavanogara ,vagara kudaro vanobva vasanduka kuita (nyoka munhu).
Nguva iyi Master vanobva vatanga kutaura vachititi*
(Master)* Pastor masvika zvanaka ,ndoda kuku udzai kuti ndiri kufara zvikuru neBasa ramukuita
kumaChurch kwenyu uko , asi nyaya yandoda kutaura ndeyekuti ,solution yega yatawana
yokwanisa kumisa vana vako kumuka zvipoko ,i solution yekuti tofanira kuuraya mukadzi wako
nhasi. Husiku huno ,nguva dzino ,kana tamuuraya toshandisa ropa rake seChombo chekudzingira
mweya yevana venyu kure, saka Pastor chifambai muuye pano muzobaya chidhori ichi nebanga
,kana machibaya neBanga ,ndiko kufa kunobva kwaita mukadzi wenyu ,saka chiuya izvezvi
ubaye .,,,nguva iyi Pastor vanobva vasumuka ,ndokubva va...........
END OF CHAPTER 27

---------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO
CHAPTER 28
STORY BY SIMON PHIRI
+263771643631
(Master)* i solution yekuti tofanira kuuraya mukadzi
wako nhasi ,husiku huno,nguva dzino, kana
tamuuraya then tobva tashandisa ropa rake
sechombo chekudzingira mweya yevana vako kure,
saka Pastor chifambai muuye pano ,muzobaya
chidhori ichi nebanga ,kana machibaya neBanga
ndiko kufa kunobva kwaita mukadzi wenyu, saka
chiuya pano izvezvi ,utore banga iri ubaye chidhori
ichi,,. Nguva iyi Pastor vanobva vasumuka
,ndokutanga kufamba vachiyenda kuna Master
pachidhori chiya ,Zvisinei Pastor vasvika pachidhori
ichi ,vanobva vatora banga raiva paside pechidhori
ichi, Pastor vanobva vasumudza roko rwavo kuti
vachibaya chidhori ichi ,.Zvisinei Pastor nguva iyoyo
vanobva vatanga kufunga rudo rwavaipiwa
nemukadzi wavo ,Pastor vofunga kuti, saka ndosara
ndava tsvimborume here? ,Pastor vofunga kuti* vana
ndakauraya ndikadya ,ikozvino ndouraya futi mukadzi
wangu asina kana mhosva futi ,aiwa bodo hazviite
kuti ndiuraye mukadzi wangu because mukadzi
wangu ndomuda, zvanda katouraya vana vangu
zvakatokwana ipapo ,handichadi kuuraya munhu
mumhuri yangu futi , ..Nguva iyi Pastor vanobva
varega kubaya chidhori chiya ,Pastor vanobva
vakanda banga riya kwakadero ndobva vati*
(Pastor)* Master mwari wangu, ndiregerereiwo but
chokwadi chiripo ,ini handi chakwanisi kuramba
ndichiuraya mhuri yangu ,especially kuuraya mukadzi
wangu izvi hazviiti ,nekuti mukadzi wangu ndomuda
zvikuru uye ndiye hama yanga yega yandasara nayo
panyika, saka Master am very sorry ,I can't kill my
wife...Nguva iyi Master vachihwa izvi, vanobva
vagumbuka ,musoro wavo ndobva watanga kubvira
moto ,Master ndobva vapindura vachiti* iwe Pastor
usada kundipima masimba angu ukunzwa ka?? Izvezvi
chitora banga iro ubaye chidhori ichi now zvenharo
manje.. Pastor vanobva vaona kuti too late pano,
rega nditize because Master zvava gumbuka kudai,
vanogona kuzodya ndava ini ,Nguva iyi Pastor
vanobva vabuda mumvura umu vachitiza
vachimhanya , Pastor vachibuda murwizi umu
,havana kana kumira vakabva vanopinda mumumota
yavo ,ndokubva varova road vakananga kumba kwavo
,apa mota vachiita kuifambisa zvemufirimu chaizvo
,ukuwo Master mumvura vanosara vachiti*
*HAHAHAHA UYU PASTOR NDIYE MUNHU
WANDODA KUPA CHIDZIDZO CHIKURU PANYIKA
,ENDE UYU NDODA KUMUURAYA NDEGA NEMAOKO
ANGU ,HANDIDI KUTUMA MUNHU ,NDODA
KUMUURAYA NDOBVA NDAMUDYA NDEGA ,.
HAKUNA MUNHU ANOTENDEGWA KUPIKISA
ZVINENGE ZVATAUGWA NENI, SAKA PASTOR
AZVISIKIRA MOTO MUZISO EGA ,HAHAHAHAH*...
Zvisinei Master vapedza kutaura izvi ,vanobva
vaenderera mberi negathering yavo nevamwe vavo
vaivawo mumvura umu...
*Ava makuseni*
Rutendo arikumba akagara naMai Ticha zvake ,uku
Rutendo achiudza Mai Ticha nyaya iya yekufona
kwakaita Brian achikumbira ruregerero, Zvisinei vari
pakati pekukurukura nyaya iyi, Phone yaRutendo
inotanga kuRinger ,Rutendo anobva atarira kuti
ndiyani arikuphona ,ndokuona ndiBaba vake
vaifona,Rutendo anobva aanswer call
(Rutendo)* hallo Daddy ,muriseiko baba vangu ende
ndafara zvisingaiti kuti maphona, baba vangu ndanga
ndakusuwai zvikuru, thank you daddy neku
ndifonerawo shuwa..
(Baba Rutendo)* uchitendeiko baby, kana neniwo
ndanga ndakusuwawo mwana wangu ,ko arisei
mukwasha wangu Brian nemuzukuru wangu Bhule
.ende ndavasuwa
(Rutendo)* Bhule ari right hake .,but about Brian its a
very long story baba ,inotoda ndichikuudzai face to
face kwete zvepaphone izvi,
(Baba Rutendo)* very long story ??? arrr chiii
chakaitika?? ,ko iwewe are you ok here? Ko kasi Brian
akafa here ?
(Rutendo)* baba ini ndiribho zvekuti , .uye Brian
mupenyu zvake but ndichakuudzai nyaya yese mauya
hantie ka.
(Baba Rutendo)* ummm ok ndizvo zviri right because
ukataura izvezvi pamwe nyaya yacho inogona
kuzondipa stress ,zvisinei ndakufonera ndichida
kukuudza good news,
(Rutendo)* taurai tihwe daddy.
(Baba Rutendo)* guess what baby ,tirikudzoka
kuzimbabwe next week Friday ,saka mai vako vabuda
izvezvi vatoenda kuno gadzirisa maTickets edu..
(Rutendo achihwa izvi* anobva atanga kufara
zvekufara zviya ,ndobva asumuka paanga akagara
,ndobva akatanga kumhanya achitenderera imba
yese achiridza zimhere achiti *yessss yesss yesss
thank you God yeees yeees yeees * zvisinei Rutendo
anobva apindurawo baba vake achiti
(Rutendo)*ende ndafara zvisingaiti daddy kani
,ndafara kani baba vangu ndafara ini ...Rutendo
anobva atanga kuchema..
(Baba Rutendo)* iribho chisikana changu ,chirega
ndipedzise kurongedza maBag edu ,ndicha
zokufonera manheru ,saka imi Friday ndichakuwanai
maka ndimirira paAirport naBrian hantie, uudze
Brian auye kuzondi gamuchira nemota yake..
(Rutendo) * ok baba vangu ,I love you so much Baba
,kiss yenyu iyo mwaaaa,
(Baba Rutendo)* love you too mwaaaaa ,.. Baba
Rutendo vanobva vadroper phone.. Uku Rutendo
anobva amhanya ndoku nojambira mai Ticha
kumusana kwavo ,uku achifara zvisingaiti achiti * my
parents are coming back thank you Lord, uku Mai
Ticha vachi ngokuvara nekuseka zvavo but chokwadi
moyo wavo wanga wakugwadza kuti saka apa
ndichasara ndakugara ndega here nhai mwari, sezvo
Rutendo akudzokera kuvaBereki vake kudai ,but
ndisati ndakugara naye ndaingo gara ndega wani
,saka izvi hazvisi zvitsva kwandiri .
Saka Mr Vincent are you sure that is what you want
,because that method yamada iri very expensive
ende inotoda mari refu chaiyo ,saka hameno kuti
toenderera mberi nayo here or totsvaga imwe
method iri cheaper and affordable,.., Uyu ndiEmma
aitaura naVincent ,Emma aitaura izvi naVincent vari
mushop inoshanda Emma ,shop yacho inonzi (Classic
Titanic)* Classic Titanic yaiva Shop inoita nezve
Wedding Planning, inoita zvekuronga nezvemichato
,uye inotengesa madress ,masuites ,cakes
epamuchato ,kusvika kuSound system, zvese
zvepamuchato inazvo ,. Shop iyi haipindi vana
musiyamwa ,inotoda vanhu vakazvitemba pamari ..
Zvisinei Vincent naEmma vanobva vaenderera mberi
nenyaya yavo.. Emma ndokuti* saka Mr Vincent still
ndaka mirira answer kubva kwamuri ,ndati totsvaga
imwe method iri cheaper here or toshandisa iyoyi
yamataura?
(Vincent)*ok ngatishandise method iri very expensive
yacho ,because munhu wacho wandikuda kuchata
naye ari very beautiful and expensive to me ,so she
deserves classical things ,
(Emma)*ok saka Wedding yacho iriko rinhi ,kuitira
kuti ndigare ndabooker date renyu in my laptop ,also
ndogara ndapima masize edress richapfekwa
nemukadzi wenyu also neSuite yenyu,
(Vincent)* ok about size yedress remukadzi wangu
haisi nyaya ,iwewe unongosona raunokwana because
zvakaita muviri wako ndizvo zvakaita waRutendo so
am sure muno pfekedzana ,saka iwe ingoita
zvandakuudza .
(Emma)* ok saka iyi method yamataura yekuti isu ,we
should provide food, Clothing yepamuchato ,our
sound system, nedecoration yedu ,this method will
coast you $4500 ,.. Nguva iyi Vincent anobva aseka
zvake ,ndobva avhura kaBag kake ,ndokubva aburitsa
mari ,ndokubva atanga kuiverenga ,apedza kuverenga
anobva adzosera imwe muBag , Vincent anobva
atambidza Emma imwe mari ndokubva ati* Emma iyi
$4500 yako ,ini ndapedza newe hantie ,saka iwe gara
waronga zvinhu zvangu then womirira kuti
ndigozokuudza date racho randicharonga muchato
,coz apa ndirikuda kungoita surprise kumukadzi
wangu ,zvekuti ikozvino haafaniri kuziva kuti ndizvo
zvandiri kuronga,,,. .Emma anobva atambira mari iyi
ndokuba ati *ok Mr Vincent saka ini ndichagara
ndakaronga then ndogara ndaudza maworkers angu
kuti agare ari ready nemaVideo cameras ,saka imimi
penyu mapedza then isu tangomirira date renyu then
tobva takuitira basa renyu nemazvo ,but musati
maenda siyayi maisa signature yenyu nemadetails
enyu pabepa iri, ..Vincent anobva aisa signature yake
nemadetails ake pabepa riya ,apedza kudaro anobva
ati *Emma pachiri nezvimwe here because ini
ndakuda kuenda
(Emma)* its now done Mr Vincent ,you can go now
but will be expecting for your call hantie.
(Vincent)* don't worry Emma ,chirega ndiyende
wosara bho nebasa rako hantie.. ..Vincent anobva
abuda mushop umu ndokubva anopinda mumota
yake ,ndobva ayenda kumba kwake.
Brian achangopedza kudiridza loan ,anobva
ambogara pasi achimbozorora uku pfungwa dzake
dzese dziri kuna Rutendo ,. Brian achinetseka kuti
saka hupenyu hwangu huchapera sei ,uye chandiri
kuramba ndichishandira pano chiii , hantie paya
ndaiti kana ndikashanda 2 months ndobva ndasiya
basa ,ndobva ndavhura Business ndotsvaga mhuri
yangu. nxxx manje ikozvino Business racho ndenge
ndoriitira ani ,sezvo Rutendo wacho ayenda
naVincent kudai nxxxxx. But vakuru vanoti mazano
marirana ,saka apa rega ndimbo notsvagawo mazano
kuna Anna because ini handichisina kana way
forward muhupenyu hwangu,.. Brian anobva afamba
ndokuenda pana Anna ,ndokusvika ndokubva agara
paside paAnna ,,Brian anobva ati* ndeyp Anna
(Anna)* murisei mukoma wangu
(Brian)* ndiri nani zvangu hameno iwe
(Anna)* ndiribho zvekuti
(Brian)* ok Anna ndine nyaya yangu hameno kana
uchikwanisa kundibatsirawo nemazano
(Anna)* taurai tihwe mukoma
(Brian)* ok nyaya yangu ndeyekuti inini ndichirikuda
Rutendo ,but manje handizivi kuti ndodi kuti mukadzi
wangu adzoke kwandiri ,because mukadzi wangu
ndomuda zvikuru.
(Anna)* umm nyaya yenyu naRutendo inoti netsei
,but chokwadi chiripo ndechekuti. to God nothing is
impossible ,so mukoma muhupenyu hwenyu dai
maimbozvipao 2 minutes zvadzo dzekumbonamata
mwari ,I think dai zvinhu zvenyu zvisina kuzosvika
pakukuomerai seizvi. Saka ini advice yangu ndeyekuti
namatai kuna mwari ,muchi muudza zvamukuda uye
mova neFaith pakunamata kwenyu. Am so sure kuti
mukadaro munoona Rutendo achidzoka ega
kwamuri.
(Brian)* ipapo ndapahwa hangu, but maonero angu
ndoona senge Vincent aka rambiwa naRutendo ini
(Anna)* why madaro ??
(Brian)* because kubva musi uya pakaitika mabororo
aya Mumba maVincent ,Rutendo Haana
kuzombodzoka pano futi, so i think vakarambana
,hameno iwe unopaona sei
(Anna)* ummm saka maybe vaka rambana ,ini hangu
handi zvizivi ,but mukoma kana muchida kuti
hupenyu hwenyu huchinje, moto shinga nekunamata
kuna mwari.
(Brian)* ok ipapo ndapawa ,uye waita basa nemazano
ako .. (Nguva iyi Anna anobva ati kuna Brian*
mukoma hatitsinzinei timbo namata , Anna anobva
abata maoko aBrian ndobva atanga kunamata achiti
*mwari baba tokunamatai ,tichikumbira kuti
muratidze rudo rwenyu pana mukoma wangu Brian,
ndokumbirawo mumudzosere hupenyu hwake
hwakabiwa naSatan ,muratidze mabasa enyu
muhupenyu hwake agozivawo kukosha kwenyu tenzi
Amen ..Brian apedza kunamatigwa naAnna ,anobva
adzokera hake kubasa kwake kuno diridza maruva..
Ava manheru Vincent acha ngopedza kugeza ,anobva
ati better ndimbotanga ndafonera mukadzi wangu
ndisati ndarara,..Vincent anobva atora phone yake
ndobva aphonera Rutendo., zvisinei Phone inobva
yatanga kuringer ,pasina chinguva inobva yadavigwa
(Rutendo)* hallo dady
(Vincent)* urisei cwty
(Rutendo)* handisi bho ini
(Vincent)* ko why usiri bhoo, chiii chaitika
(Rutendo)*ndikukufunga Vincent
(Vincent)* ok makuseni ndouya kuzokutora ,then
tomboswera tese kunoku hantie ka.
(Rutendo)* its ok daddy munouya nguvai kuzonditora
(Vincent)* ndouya kuma10 chaiko
(Rutendo)* ok will be waiting for you,. Daddy pane
nyaya yandoda kukudzai.
(Vincent)* ok ndiudze hun.
(Rutendo)* vabereki vangu vari kuuya Friday ,hantie
mangwana iWednesday so kureva kuti vanenge
vasara ne2 days kuti vasvike because vati varikuuya
Friday, saka Friday ndikuda kuenda newe kuAirport
tino vagamuchira tese hantie ka Daddy.
(Vincent)* ooo that will be lovely ,I can't wait for that
cwty ,but do you think kuti vabereki vako vacha
ndifarirawo here?
(Rutendo)* don't worry about that
(Vincent)* ok neniwo ndikuda kukuitira surprise
hombe , but you will see surprise yacho kana nguva
yacho yakwana hantie.
(Rutendo)* ok daddy will be happy for that ,saka Viny
sha uuye makuseni nguva dzawataura hantie ,
remember i love you, Goodnight ndakurara ini.
(Vincent)* ok handiregi kuuya cwty ,Goodnight too ,I
love you and Bhule byeee, ..( Vincent anobva adroper
phone, ndobva ayenda mubedroom make kuno
zvirarira..
Husiku uhu Mai Tanaka vakagara pachoto nemwana
wavo ,vachi kurukura zvavo.
(Mai Tanaka)* Hahahahahaha kkkkkkk
(Tanaka)* ko chi chamukuseka nhai mama, kasi
handina kupfeka here?
(Mai Tanaka)* haa hapana hapo kkkkkkkk
(Tanaka)* mama ikozvino ndichaguma ndisingacha
gari padhuze nemi ,because menge muchingondiseka
,apa hamutauri kuti muri kusekei futi, kasi ndopenga
here ini?
(Mai Tanaka)* kwete izvozvo Tanaka ,ndikungoseka
hope dzandakarota zuro, ko imhosva here munhu
kuzvi sekera?
(Tanaka)* ko makarotei mama
(Mai Tanaka)* kkk ndakarota vamwe sekuru vari
pakati pekuti bonde nehope uku vachito chemerera
hanzi *ushhh oshhhh Rutendo kani ushhh. Zvonaka
,..hahahaha kkkkk mai vangu soko iwe ,ndokuvara
nekuseka zvangu
(Tanaka)* nxxxx saka nhai mama zvosekesa here
izvozvo nxxx,
(Mai Tanaka)* kkkkk zvagara zvosekesa nekuti hapana
mwana waObama paachororewa nemwana
wemhashu ,kkkk ndizvo zvakafanana newe izvi kkkkk
(Tanaka)* saka nhasi ndava mhashu manje
,kaRutendo kaya ndokamukuti mwana waObama
nxxx, chisari mega pamoto penyu nxxxx... Tanaka
anobva asumuka ndokuena mumba make ,ndokusiya
mai vake vagere vega pamoto ,,uku Mai Tanaka
vachingo kuvara nekuseka zvavo vachiti * haaa
midzimu ndokutendai makandipa mwana
anondinakidza muhupenhu kkkkkk.
Ava makuseni Vincent ana Rutendo mumota
vachienda kumba Vincent ,sezvo Vincent anga abva
kunotora Rutendo sekuwirirana kwavaiva vakaita
,zvisinei pasina chinguva vaviri ava vanobva vasvika
pagate remba yaVincent , vasvika pagate kudaro
Vincent anobva aridza bhera remota yake ,zvisinei
nguva iyoyo Gate rinobva ravhugwa ,,Vincent anobva
apinza mota yake mukati, ndobva apaker mota yake
paGarage rake, Vincent naRutendo vanobva vaburuka
mumota umu, ndokubva vafamba vakuenda mumba ,
uku Vincent anobva asumudza Rutendo ndokubva
apinda nayemumba aka musumudza ,,,apa zvese izvi
zvaiva mumaziso aBrian, Brian anobva atanga
kuboiler nehasha akuita kubvunda nehasha, Brian
anomboedza kuda kugara pasi but zvakaramba
nekuda kwehasha ,Brian achiita kudedera nehasha
chaiko ,Zvisinei nguva iyoyo ,Brian anohwa mavoice
aVincent naRutendo achitaura ari muBedroom
maVincent ,,Brian anobva azogumbuka to the last
number manje, Brian anobva ayenda pawindow
reBedroom yaVincent ,..Brian achisvika paWindow
apa anobva adongorera kuti aone chii chikuitika
mubedroom umu.., Brian aka dongorera kudaro
,anoona Rutendo achibvisiwa Blouse naVincent uku
Rutendo achimwiwa mazamu naVincent ,,Brain
achiona izvi misodzi yehasha inobva yatanga kusinina
,,Brian anobva avhurira zispeed ndokuno pinda
muimba yaVincent ,apinda Mumba kudaro anobva
ananga kubedroom kwaVincent chaiko ,ndokusvika
achipwanya door reBedroom iyi ,ndobva asvika
achibvisa muromo waVincent padumbu raRutendo
,..uku Rutendo achida kuti ataure anobva
apushidzigwa kwakadero naBrian ,..nguva iyoyo Brian
anobva amhanya ndokunogara padumbu raVincent
ndobva adzipa Vincent pahuro ,,..Vincent aka
mboyedza kuda kugwisa but zvakaramba because
Brian aiva akabata nesimba rese ,..zvisinei Vincent
anobva atanga kubuda ropa mumhino ndobva angoti
ziiiii
END OF CHAPTER 28

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO
CHAPTER 29
STORY BY SIMON PHIRI
+263771643631
* *ZVISINEI VINCENT ANOBVA ATANGA KUBUDA
ROPA MUMHINO NDOBVA ANGOTI ZIII*..Nguva iyi
Brian anobva aona Vincent ati ziiii, uku achibuda ropa
mumhino ..Brian anobva aregedza huro yaVincent
,nguva iyi Brian anotanga kushamisika ndokubva ati*
Rutendo kasi ndauraya munhu here??,But Rutendo
hapana chaakapindura ,chake kwaingova kuridza
mhere chete., nguva iyi Brian anobva aisa nzeve yake
paChest paVincent kuti ahwe achiri kufema here.,
Brian anobva ahwa munhu haachafemi ,munhu atova
mushakabvu ,Brian anobva ati saka yatova murder
kaiyi ,saka best plan ini kushaikwa padzvimbo. Brian
anobva abva pamuso paVincent ,ndobva aenda pana
Rutendo, Brian ndobva ati kuna Rutendo* am sorry
Mai Bhule, zvaitika nemistake but ikozvino hazvi
chabatsiri kuti nditi sorry because munhu atofa
kudhara ,iniwo handizivi chiii changa chandipinda
,ndiregererewo pliz hun.. Rutendo hapana chaaka
pindura ,aingo chema chete akatarisa Vin ,Nguva iyi
Brian anobva ati saka rega nditsvage mari dzekukwira
bhazi nditize munyika muno, Brian anobva atanga
kuvhura madrawers emubhedha waVincent
achisecha secha ,Brian paano vhura drawer
rekupedzisira anobva aoma mune kaBag kadoko
.Brian anobva avhura kaBag aka ndokuona kazere
mari ..Brian anobva atora kaBag aka ndokubva
akabereka ,. Ndobva atora hembe dzaVincent dzaiva
muwadrobe ndobva adzipfeka, ndobva asiya
zihovhorosi rake mumba umu,.Nguva iyi Brian
anobva ati Kuna Rutendo* bye bye shamwari
tichazoonana kudenga* Brian anobva abuda door
achifambisa ,ndobva atonobuda gate akananga
kwaanoda sezvo anga akutiza mhosva hombe iyi
yaanga apara,.. Uku Rutendo ari mumba umu
achingochema ,nguva iyi Anna anobva apinda
mubedroom maVincent ,Anna anoona door raka
tsemugwa tsemugwa ,uku anoona Rutendo achingo
chema ,,Anna kutarira pamubhedha ,anobva aona
Mukoma Vincent vakarara ipapo vari ziiiii,. Anna
anobva atoziva kuti Brian ndiye asiya aita izvi.. Anna
anobva ati*imi sisi Rutendo makangogara ipapo
muchiona munhu achifa kudai ,nxx sumukai apo
titsvage plan,.. Rutendo anobva asumuka ndobva ati
kuna Anna* Anna ndibetserewo kusenga Vincent
,tinomuisa mumota tiende naye kuHospital .. Nguva
iyi Anna naRutendo vanobva vatakura Vincent
,ndokubva vano muisa mumota kuback seat
,.Rutendo anobva apinza maoko ake muhomwe
yaVincent ,ndobva atora makey emota, Rutendo
anobva amutsa mota ,ndokubva atanga kureveser
achibuda gate, apedza kubuda Gate ,Anna anobva
apindawo mumota ndokubva agara kuback seat
akabata Vincent ,zvisinei Rutendo anobva arova mota
akananga kuhospital ,uku mota achiita kufambisa
zvemufirimu chaizvo,
Pasina Chinguva vanobva vasvika kuhospital kuya
,,Rutendo anobva apaker mota ,ndobva aburuka
mumota, ndokubva amhanya kuno daidza manurse,.
Pasina chinguva Rutendo anobva auya nemanurse
vachimhanya uku vachipusha kamubhedha
kekutakurisa Vincent, vachisvika pamota vanobva
vaburitsa Vincent mumota, ndobva vamuisa
pakamubedha kaya, ndokubva Vincent aendewa naye
ku(Treatment room),.. Vasvika paroom apa,.. Vamwe
nurse vanonzi (Nurse Moyo) vanobva vati kuna
Rutendo* imi mai chigarai pachair iyo kune vamwe
uko, nekuti hamu tendegwi kupinda muroom iyi,
kunze kwemurume wenyu uyu.. Rutendo anobva
aterera ,ndobva asiya manurse vachipinda naVincent
muroom yacho, uku Rutendo aiyerera misodzi uku
achitaura mumoyo make achiti* nhai Vincent ungada
kufa usati waona vabereki vangu shuwa, Vincent
ungade kufa usati wandipa pamuviri here, Vincent
unofanira kuyenda ndava nemimba yako.. Nguva iyi
vamwe nurse ,vanonzi (nurse Viola), vanobva vabuda
mutreatmen room muya ,ndobva vaenda pana
Rutendo naAnna ,ndobva vavhunza kuti chiii chaitika
pamurume wenyu uyu?? ,..Rutendo anobva ataura
zvese zvaitika,,.. Nurse vaya ndobva vati* eishhh kana
zvakadaro ichallenge hombe chaiyo ,apa mhondi
yacho yaimbovawo murume wenyu, nemiwo mai imi
munenge mune shavi rechihure, shuwa mungade
kuitia zvinhu zvakadaro pachena imi muchiziva kuti
XHubby yenyu ino kuonai shuwa, kubva nhasi
mudzidze kuti makahwa pakati penyu pachivava
mombobata kwete kupa jaidza kugara pachibaiwa
zuva nezvuva ,chionai zvamaitisa manje, anywhere
saka nyaya iripo pano, imi chiendai mosiya report
yenyu kumapurisa izvezvi, kuitira kuti munhu wacho
adzipa murume uyu atsvagiwe as soon as possible
asati ayenda kure, because murume wenyu haasi
kufema saka anogona kunge atofa kare , saka
panenge potoda mapurisa aite basa ravo,, saka imi
chiendai kukamba monosiya report ,then isu kuno
tosara tichibata nepatogona napo,. Nguva iyi Rutendo
naAnna vanobva vapinda mumota ,ndokubva vaenda
kumapurisa ,,,pasina chinguva vanobva vadzoka
nemapurisa matatu echikadzi..mapurisa aya anobva
aenda kwaiva kwaisiwa Vincent ,mapurisa aya
ndokutanga kunyora zvavainyora ,vachiona huro
yaVincent kuti yanga yaka dzipiwa sei ,vachiita
zvavaiita .zvisinei mumwe mupurisa anobva ati kuna
nurse Viola* ok nurse penyu mapedza ,izvi zvasara
kwatiri isu mapurisa ,isu takutono rongana
nevakovana titsvage mhondi iyi isati yaenda kure,
saka imi chiitai basa renyu ,mongo zamawo
nepamogona, kana zvarambawo haisi mhosva yenyu
,because munhu uyu haasi kufema., Nurse vaya
vanopindura vachiti* thank you officer, saka basa
rasarira kwatiri , anywhere Mai imi chidzokerai
kumba mozouya mangwana ,paVisting hour
muchiona kuti murume wenyu anenge ava sei but we
will try our best ,.., Rutendo anobva ati * its ok nurse
pliz plizz zamaiwo nepa munogona, plizz murume
wangu ndomuda kani ,..Nurse vaya ndobva vati *its
ok zvinoita chete imi chiendai henyu ,but kana pane
zvinenge zvaitika moona takukufonerai but tichayedza
nepatogona bcz murume wenyu haasi kufema but
pane zvatikuona paari zvekuti kana mwari vaka
pindirawo zvinoita ,saka tichazama nepatogona taka
mirirawo Doctor kuuya kwavo saka endai zvenyu ,..
Nguva iyi Rutendo anobva ati *thank u nurse
*.Rutendo naAnna vanobva vaenda kumota yavo,
ndobva vanopinda mumota yavo, ndobva vaenda
kumba kwaVincent ,.uku mupurisa aya anobva auya
kuzotogwa nemota yekubasa kwavo ,sezvo mota iyi
vanga vaifonera kuti iuye kuzovatora,
*Ava manheru*
TANAKA MWANA WANGU HUYA UGARE PANO
NDIMBOKUUDZA HUPENYU BECAUSE NYAYA YAKO
NDAKA IHWA NAMAI VAKO KASINGAPERI,SAKA
HUYA PANO NDIMBOKUONESA ..,ava ndibaba
Tanaka vaitaura izvi ,vachidana mwana wavo Tanaka,
Zvisinei Tanaka anobva aenda pana baba vake,
achisvika pavari ndobva agara paside pavo ,ndokubva
ati* baba kana zviri zvinyaya zvaRutendo zvama
ndidanira aiwa bodo ndaneta nazvo zviya,
handichada kuzvihwa ,saka kana zvirizvo zvamukuda
kutaura chigari marega zvenyu ..
(Baba Tanaka)* nhai Tanaka unotanga wavhunza kuti
nyaya yangu ndeyeyi kwete kubuda musaga hantie ka,
(Tanaka)* ok ndazvinzwa
(Tanaka)* saka nyaya yenyu ndeyeyi manje
(Baba Tanaka)* ndakawa namai vako kuti unoda
Rutendo maningi ichokwadi here?
(Tanaka)* aa moti nyango ndiri dofo ndingabva
ndaitawo dofo rekukona kudawo yellow bone iya
inonzi Rutendo.
(Baba Tanaka)* iwe une makore mangani ,ko Rutendo
anemakore mangani okuberekwa?
(Tanaka)*Rutendo anenge na24 ,ini angu makore
handinatso ziva kuti ndine mangani sezvo ndisina
kana chitupa kana Birth certificate zvaro..
(Baba Tanaka)* kkk mwanangu une 24 years
(Tanaka)* hoo saka ndakaenzana naRutendo
(Baba Tanaka)* right wauya zvakanaka mwanangu
chimira ndikuudze, unoziva here kuti mhuri yedu
yese tongorora vakadzi vakuru kwatiri,. Ndikuzama
kureva kuti sekuru vababa vangu vaiva vakarora
mukadzi mukuru kwavari, uye baba vangu vaivawo
vakarora mukadzi mukuru kwavari ,zvofanana neni
ndakarorawo mai vako vakuru kwandiri ne3 years,
(Tanaka)* saka apa baba mukuzama kureva kuti chii,
because handisi kuhwisisa ini.
(Baba Tanaka)* ndikuzama kukuudza kuti pana
Rutendo kangamwa zvako, hazvife zvakaitika nenyaya
yekuti makore ako akada kuenzana neaRutendo, saka
pamuri hapana chobuda ,bcz iwe ucharorawo
mukadzi mukuru kwauri ne3 years,,
(Tanaka)* ari ani mukadzi wacho iyeye ,uye
ndamuwanepi mukadzi wacho ,ndiani angadewo
mhashu yakaita seni ,kasi chenge chitori chirema
mukadzi wacho.
(Baba Tanaka)* kwete chirema ,unomboziva mwana
wangu wakanaka pachiso here, uye muviri wako uyu
muGiant unodiwa nevakadzi zvikuru ,saka usanyanya
kugara uchizvishora hantie ..uchaona zvandakuudza
ndozvinoitika ,
(Tanaka)* hoo kana zvakadaro tichaona ,
Tanaka naBaba vake vanobva vachinja nyaya ,ndobva
vatanga kutaura dzimwe zvezvo iyi vanga vapedza
nayo
Manheru aya Mai Ticha vari mubedroom mavo
vanotarira nguva ,ndokuona dzichiti 22:00pm
dzemanheru ..Mai Ticha vanobva vatanga kunetseka
kuti, ko chii chaitika kuna Rutendo , kusvika this time
haasati adzoka iye abuda makuseni seni sezviya ,kasi
vaku todanana naVincent ikoko, vachikangamwa
mwana wavo kuno nxxx ,mmm but nepave nenguva
apa i think pane zvaitika ,saka better ndimufonere
ndihwe kuti chii chikutora dzvimbo ..Mai Ticha
vanobva vatora phone yavo ,ndobva vafonera
Rutendo ,phone inobva yatanga kuringer ,pasina
chinguva inobva yadavigwa ..
(Rutendo)*hallo sisi ,am very sorry nekusauya kumba
pliz ndiregerei ,pane zvikuitika so ndaona kuti
ndikauya kumba zvozoita senge ndatiza situation
yaVincent kunoku,
(Mai Ticha)* Situation yei yacho ,ko chii chaitika
ikoko.. ,,(Rutendo anobva audza mai Ticha nyaya yese
sezvairi ,kutanga kwayo ,nekusvika payave)
(Mai Ticha)* arrrrrr saka zvakaoma .,don't worry
about Bhule ,Bhule is fine ndomu chengeta for the
time being uchifano ita zvaukuita ,eishhhh saka Brian
wacho atiza ,apa Vincent haasi kufema ,,iii ko
mapurisa acho vadi kutotsvaga Brian wacho izvezvi
chaiye kana ndiri seni ndinga tovabetsere kutsvaga
Brian ,because ndikugwadziwa nezvikuitiwa naBrian
muhupenyu hwako , shuwa wanga wazvi wanira
mukomana anerudo newe ,apa Brian ndipo paakuku
urayira mukomana wako nxx zvandigwadza
(Rutendo)* moziva chii sisi ,ini ikozvino ndavawo
mukadzi , pfungwa dzangu dzakurawo, ndakuita
zvama kandidzidzisa paya , makanditi kuchema kuno
wedzera kuomesa zvinhu ,saka apa ndiri kuzamawo
kubata misodzi yangu kuti isabude ,anywhere thank u
sisi nemoyo wenyu uyu ,may God bless you and your
Family.
(Mai Ticha)* hapana chekutenda because we are one
family ,saka kusuwa kwako ndikwo kusuwa kwangu ,..
But at least ndafara ndahwa voice rako because
ndanga ndava worried zvisingaiti ,but situation yauri
iyi ihombe zvisinei ndichanamatawo nepaside ,ende
ndoziva munamato wangu unohwikwa namwari
kazhinji kacho..
(Rutendo)*ok sisi saka regai ndigeze ndirare naAnna
,but kutaura shuwa ndineStress because handizi kuti
Vincent wacho mupenyu here kana kuti...saka
mangwana makuseni ndabva kuhospital,
ndichakufonerai ndokuudzai kuti zvenge zvakamira
sei ,,
(Mai Ticha)* iribho mwana wamwari shinga
nekunamata ,and don't worry about Bhule ,ndino
muchengeta zvangu,
(Rutendo)* ok sisi vangu goodnight.. ( Mai Ticha
vanobva vadroper phone ndobva vati *nhai mwari
saka hope dziya dzandakarota dzairevesa ,ko Nhai
mwari madi kupindirawo, shuwa mungafare
nekugara muchiona Rutendo achichema zuva nezuva
,ko zvamanga mamupa mukomana wake zvakanaka
wani,umm inga zvakaoma... Mai Ticha husiku uhu
havana kuzorara because vanga vakutya kuti kana
vakarara vanogona kuzorotera Vincent dzimwe hope
dzaka tonyanyisa ,..Saka Mai Ticha vakabva vatora
vana vavo vese two ,ndobva vavarasisa pasofa
musitting room, vapedza kudaro ndobva vanamata
,vapedza kunamata ndobva vagara pasofa ndobva
vatanga kuona channel yaTB Joshua paTV
Husiku uhu Pastor vakarara ,vanotanga kurota
vachigochewa pamoto naMASTER ,..Nguva iyi Pastor
vanobva vapepuka uku hana yavo ndokubva yatanga
kurova ,Pastor vakabva vatoziva kuti hope dzavarota
idzi dzotori dzechokwadi ,saka kureva kuti Master
varikuda kundigocha vondidya ..Manje eishh haaa
apa ndapererwa ,saka ndodi apa, ummm ndazo
zviparira apa, saka better ndiende musitting room
ndinogara ndichiona TV, because ndikada kurara futi
ndogona kuzouraigwa kuhope naMASTER,. .Nguva iyi
Pastor vanobva vaburuka pamubhedha ndokubva
vasiya mukadzi wavo akarara ega pamubhedha
,,,Pastor vanobva vabuda mubedroom umu
,ndokubva vanenda musitting room ,. pastor
vachisvika musitting room vanobva vagara paSofa
semunhu anga aneStress dzake ,..Pastor vakagara
pasofa kudaro ,vanobva vati better ndibatidze TV
ndimboona maFirimu zvangu ,..Pastor vanobva
vasumuka ndokuenda kuno batidza TV, time
yavanobatidza TV, paTV paya panobva pabuda
MASTER vachikuvara nekuseka, Pastor vachiona izvi
vanobva varohwa nehana ndobva vadona pasi, uku
vaka ngotarira kuTV kuya ,.. Zvisinei Nguva iyi
MASTER vanobva vati* iwe Pastor ukufunga kuti
wakangwara but iwe wakapusa ,uye mitemo yedu
yekuBrothers of darkness unoiziva yese ,kuti inoti
once wapinda muBrothers of darkness haukwanisi
kuzozviburitsa wega,.. Saka ini ndoda kutanga
ndambo kutambudza then ndozokuura ndokudya
,,,Nguva iyi MASTER vanobva vasvipa moto ,moto uya
unobva wabuda nepaTV ipapo ,ndobva wafamba
ndokubva wanopinda mubhurugwa maPastor
,..Nguva iyi Pastor vanobva vahwa sikarudzi yavo
ichiita movement mukati mebhurugwa ravo ..Nguva
iyi MASTER vanobva vanyangarika,.. Pastor
pavanoona Master vanyangarika, Pastor vanobva vati
rega ndione chii chaisiwa mubhurugwa mangu
naMaster ,.Pastor vachitarira mubhurugwa ravo
,vanoona sikarudzi yavo yashanduka kuita sikarudzi
yemunhukadzi,
Ava makuseni nguva dzichiti 8:00 ,.Rutendo anobva
amuka ndobva ageza ,apedza kugeza ndobva audza
Anna kuti ngaachigadzirira kugeza kuitira vachienda
kuHospital kunoona kuti Vincent ava sei, Nguva iyi
Anna anobva aenda kunogeza ,pasina chinguva Anna
anobva apedza kugeza ndobva apfeka hembe dzake
dzakanaka naka, .Anna anobva ati kuna Rutendo*
Boss Rutendo ndapedza kugeza chiuuyayi tidye
tiende,. Rutendo anobva ati* Anna ini handisi Boss
vako asi ndiri Sisi vako, uye nerudo rwaunaro
ndonamata kuti kana Vincent akazoita kwazvo ,ndicha
muudza kuti kana ndakugara pano ndenge
ndakukutora seminin'ina wangu ,kureva kuti unenge
usisiri house girl pano ,asi unenge wava mwana
wepano,. Anna * ummm Sister thank u zvenyu but
eisshh even Vincent akazoita mushe I knw haafi
akabvuma zvamukutaura izvozvo ,..Nguva iyi vari
pakati pekutaura izvi ,,phone yaRutendo inobva
yatanga kuringer,.. Rutendo anotarira kuti ndiyani
arikuphona, ndokuona yakanzi incoming call from
ZRP ,..hana yaRutendo inobva yatanga kurova
,zvisinei anobva adavira call iyi.
(Rutendo)* hallo mapurisa makadi
(Mupurisa)*ndini Constable Dube ,ndafona kuti
ndikuudzei kuti murume wenyu hapasisina atogwa
namwari makuseni ano.
(Rutendo) *WHAT ,MATI CHIII?
(mupurisa)* ndati murume wenyu is gone , izvezvi
maNurse anga achi tonetseka kuti okuudzai sei ,but
ini ndabva ndangorovera moyo padombo kuti
ndikuudzei, uye goodnews ndedzekuti mhondi
yakauraya murume wenyu takawana madetails ayo
inonzi (Brian Nyoni yaka berekewa paSengezi
Hospital)* saka zvatava nemadetails zvava easy
kumubata ,..
(Rutendo)* DID YOU JUST SAID VINCENT AFA OR
PAMWE NDAKANGANISA KUHWA,
(Mupurisa)* hwongu afa ,izvezvi tiri kuHospital saka
,mutumbi takuuendesa kuMorchary ,.,, Nguva iyi
Rutendo anobva atanga kuridza zimhere achichema
,ndobva ati *pliz vamupurisa chimbomirai kuisa
murume wangu kuMochary ,because ndoda kutanga
ndamuona ,..
(Mupurisa)* ok chikurumidzai kuuya,..Nguva iyi
Rutendo naAnna vanobva vamhanya ndobva
vanopinda mumota ,Rutendo ndokupisa mota
akananga KuHospital, Pasina chinguva anobva asvika
,ndokubva aburuka mumota ,ndokubva aenda
pamapurisa aya ,,Rutendo achisvikapo anobva aona
Vincent akavhariwa kumeso nemucheka wewhite ,uku
aka kombewa nemaNurse nemapurisa,. Rutendo
anobva ayenda panaVincent ,ndobva abvisa mucheka
uya wanga wakavhara kumeso kwaVincent ,Rutendo
anobva atarira kumeso kwaVincent ndokubva aona
zveshuwa Vincent afa,, Nguva iyi Rutendo anobva
atanga kuridza zimhere uku achinamata achiti*
mwari baba tenzi modarirei, mwari wangu Vincent
haangafiri mhosva isiri yake, mwari Baba ndoziva kuti
nguva yaVincent yekuuya kwamuri haisati yakwana
,Baba nguva ino ndokumbirawo muratidze kuti Devil
is a failure pasi pano. Baba hamungatori Vincent
muridzi wemoyo wangu ,saka Baba ndongo garova
munhu wekuchema panyika imi muripo shuwa
,Father I command holy spirit right now, right now I
say Vincent receive your life back in the name of
Jeses,. Thank u God ,panguva ino ndinoti Vincent
chimuka murume wangu in Jesus name Amen,..
Nguva iyi Rutendo anobva akisa mhino yaVincent ,
nguva iyoyo Vincent anobva atanga kukosora ndobva
asvinura.
(Anna)* arrrrrrr
(Mapurisa)* arrrrr
(Nurse Viola)* arrrr
(Nurse Dube)* arrrrrr
END OF CHAPTER 29

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO
CHAPTER 30
STORY BY SIMON PHIRI
+263771643631
*RUTENDO ANOBVA AKISA MHINO YAVINCENT
,NGUVA IYOYO VINCENT ANOBVA ATANGA
KUKOSORA NDOBVA ASVINURA*.
(Anna)* arrrrr
(Mapurisa)* arrrrrr
(Nurse Viola)*arrrrr
(Nurse Dube)*arrrrr... munhu wese aiva apa
akashamisika zvikuru nekuona Vincent achimuka
zvekare, Nguva iyi Vincent anobva asumuka
ndokunomira paduze neWindow panopinda mhepo
,ndokubva atanga kubata bata huro yake
achitasamudza tsinga dzehuro yake sezvo anga
akuhwa kakudzimbiwa keku dzipiwa kwaakaitiwa
naBrian paya., Vincent apedza kutasamudza huro
yake, anobva atanga kufambisa maziso ake achitarisa
tarisa ,ndokutanga kuona mapurisa nemanurse vaka
muunganira apa vakamutarisa vachiratidza
kushamisika zvikuru , Vincent achifambisa maziso ake
kudaro anobva aona mukadzi wake Rutendo
akapfugama pasi misodzi iri pamatama uku achingoti
thank you God ,Vincent achiona zvese izvi zvakabva
zvamunetsa kuti chiii chikuita pano ,ko vanhu vese
zvava katarisa inini ,hapana kana ari kutaura neumwe
,vese vaingova vakayeva Vincent,. Zvisinei Vincent
anobva ati* ko nhai mapurisa chiii chikuitika pano, ko
mukadzi wangu Rutendo arikuchemei , nhai Anna
chiii chikuiitika pano, ko ndiyani achemedza mukadzi
wangu iyeye??. Nurse Viola vanobva vapindura
vachiti* mukoma imi mune lucky hombe chairo kuva
nemukadzi akaita sewamunaye uyu, mutende mwari
kasingaperi nekukupai mukadzi akaita seuyo ,nekuti
dai pasina mukadzi uyu kutaura chokwadi dai muri
muMochary, kana nesuwo zvatishamisa zvaitika pano
,isu manurse tanga takundikana but mudzimai wenyu
auya akaita chishamiso chikuru pano, nesuwo kubva
nhasi Tabva tadzidza kuti pabasa redu rekurapa
vanhu iri roda munhu uchiziva mwari mukati ,Dai
zvaibvira mukadzi wenyu taimutsvagira Basa
rehunurse pano ,kuti tipote tichishanda naye
achitidzidzisawo zvakawanda, nekuti chishamiso
chaitiwa nemukadzi wenyu chihombe ,saka ini kubva
nhasi ndakuda kunamata mwari ano namatiwa
nemukadzi wenyu nekuti ndaona mwari iyeye
anesimba.
(Mapurisa)* kana nesuwo takuda kunamata mwari
ano namatiwa nemukadzi wenyu
(Nurse Dube)* kana neni musandisiyawo. ..Nguva iyi
Vincent akatanga kunetseka kuti vanhu vari
kumboreveyi ava ,nguva iyoyo Vincent anobva ayeuka
nezuro paakadzipiwa naBrian kusvikira aguma
kufema, Vincent anobva ati* zveshuwa tsano Brian
vaka ndiuraya nezuro ndiri mebedroom, saka kureva
kuti Rutendo ndiye anamata kuna mwari kuti
hupenyu hwangu hudzoke ,eishh thank you God
nekundipa musikana akaita saRutendo,. Nguva iyi
Vincent anobva atanga kubuda misodzi ndobva
atarira kuface kwaRutendo ndobva ati* Rutendo
thank u so much mukadzi wangu ,handizive kuti what
did i do to deserve a very caring woman like you,
Rutendo mudiwa wangu I love you ,Rutendo
ndaifunga kuti pamwe hauna basa neni but nhasi
ndazoona kuti uneRudo neni mudiwa, ndotoshaya
nezvauri izvi wakadeiwo panherera yakaitawo seni ,..
(Rutendo anobva asumuka ndokubva vatarisana
kumeso naVinvent, Rutendo anobva ati* Vincent rega
kuchema murume wangu ,chirega kufunga nezve
vabereki vako ,ini ndini ndichava mai vako
muhupenyu hwako hwese, Vincent kukuudza shuwa I
love you with all my heart. And I promise you hakuna
mumwe murume wandichafa ndakada pasi pano
kunze kwako.. Nguva iyi mapurisa nemaNurse vaiva
vakangoyeva Rutendo naVincent vachitaurirana,.
Zvisinei Nguva iyi Vincent anobva ati kuna Rutendo* I
love you Rutendo will you marry me,.. Rutendo
anobva apindura achiti* I will marry you my love ,...
Nguva iyoyo Rutendo anobva ambundirana naVincent
ndobva vatarisana kumeso ,ndobva vatanga kukisana.
.Nguva iyi MaNurse neMapurisa vanobva vatanga
kuuchira maoko ,uku vachitora Rutendo naVincent
maphotos... Zvisinei Vincent apedza kukisa Rutendo
anobva ati* mhuri yangu Rutendo naAnna chifambai
tiende kumba kwedu ,.. Zvisinei Constable Dube
vanobva vati *its ok chiyendai henyu kumba
mozorora ,basa rasarira kwatiri kuti titsvage mhondi
iya. Uye kana taibata toda kumboipa zvidzidzo zvikuru
,uye kana taibata tokufonerai tokuudzai. ,and kana
tava free ticha kumbirawo kushanya kumba kwenyu,
tizo dzidzisiwa shoko ramwari nemudzimai wenyu
nekuti mukadzi uyu inumber chaiyo.., Nguva iyi
Vincent anobva ati *you are welcome any time,.
Vincent anobva atora mhuri yake ndobva vanopinda
mumota yavo ,ndobva vaenda kumba kwavo.. Uku
mapurisa Nemanurse vanosara vachikurukura
nezvechishamiso changa chaiitiwa namwari
waRutendo,
Pasina chinguva Vincent nemhuri yake vanobva
vasvika kumba ,vasvika kumba kudaro vese vanobva
vaburuka mumota ,ndobva vayenda mumba vese,
vasvika musitting room vanobva vagara pamasofa..
Nguva iyi vachangogara pamasofa Rutendo anobva
ati* Vincent murume wangu, pane chinhu one
chasara chandoda kuti uzive ,ndaona kuti handi
ngazvitauri muchipatara nekuti mamwe mafamily
matters edu tofanira kupedza tega, saka ndabva ndati
better ndizvichengete mumoyo ndozokuudza tava
kumba, saka chindipawo mukana wekutaura,
ndikuudze chokwadi chizere pamusoro pangu
naBrian ,asi kana waziva chokwadi chacho, zvinenge
zvava kwauri kundiramba kana kundi regererawo.
(Vincent)* taura hako Rutendo mudiwa wangu.
(Rutendo)* Ok chokwadi chizere ndechekuti Brian
ndiye aive murume wangu makore ese apfura aya
and Brian ndiye baba vemwana wangu Blessing
,ndosaka wakaona Brian aida kukuuraya because
aigwadziwa nerudo rwedu, saka sezvo waziva
chokwadi kudai ,chitaura zviri mumoyo mako kana
usingachandidi wotaura ndoyenda zvangu... (Nguva
iyi Vincent anobva asumuka paanga akagara, ndobva
ayenda panaRutendo ,achisvika pana Rutendo anobva
apfugama pasi akatarisa kumeso kwaRutendo ndobva
ati* Rutendo hapana chekuti ukumbire ruregerero
cwty apa, ini ndini ndotofanira kukumbira ruregero
nekuku pinzisa busy kwandakakuita, uchindisenga
uchienda neni kuchipata, dai wanga usipo dai
ndakafa,..saka rudo rwangu kwauri harwife
rwakachinja ,saka yaBrian iyi haisi kana nyaya
,chakakosha pakati pedu rudo chete.
(Rutendo)*umm sure thank you Vincent murume
wangu ,I love you too ,saka chigara pasofa apo
uzorore umboona TV ,ini naAnna takuenda
mukitchen kuno kubikira chikafu ,.. Nguya iyi Vincent
anobva anyemwerera ndobva aenda pasofa,
ndokubva azvambarara pasofa akatarisa TV zvake
,Zvisinei Rutendo naAnna vanobva vasumuka ndobva
vaenda mukitchen kunobika zvavo..
Daniel agere kumba kwake zvake achiona TV ,Daniel
ari pakati pekuona TV anobva ati better ndimbotaura
neshamwari yangu Harmony paWhats app, (Harmon
wacho aiva mupurisa), Zvisinei Daniel anobva
aburitsa phone yake muhomwe, ndobva asendera
Harmony massage paApp achiti *ko ndeyp Harmon
,indaba kudhura kuona shamwari,.. Pasina chinguva
Daniel anohwa phone yake ichirira massage yewhats
app,. Zvisinei Daniel anobva avhura massage iyi
ndokuona ari Harmony anga apindura achiti
*Shamwari Daniel mazuvano ndiri busy nebasa , ko
Daniel munhu ari papicture randakusendera izvezvi
iri ,unomuziva here??.. Daniel anobva adownloader
picture riya ndokubva arivhura ndokubva aona zvaari
Brian.. Daniel anobva apindura achiti *ehe ndiBrian
uyu ndomuziva zvikuru,.. Harmony anobva
apindurawo achiti *kana wakamuona pliz
undiudzewo because munhu iyeye anemhosva
hombe yaakapara, kutaura kuno tikutomutsvaga
zvakaipa ,..Daniel anobva apindura achiti * K
ndikamuona will contact u... Nguva iyi Daniel anobva
atanga kuti *mupfana Brain akaura manje. Ko
imhosva yeyi yaakapara ikumutuma avhimiwe
nemapurisa seizvi, kasi akaraper mwana wevanhu
here??, nxx akamama kasi aifunga kuti kwaMaster
kunongobviwa nyore nyore here ,kkkkkk ngavhunze
vana Pastor vakamera zvombo zvevakadzi
mumabhurugwa umu kkkkkk, ..nguva iyi Daniel
aripakati pekuseka anobva ahwa phone yake
ichiringer ,Daniel anobva atarira kuti ndiyani akufona
,anobva aona iri new number,.Zvisinei anobva
aanswer,
(Daniel)* hallo ndiyani uyu andizivawo
(Brian)*ndyp Daniel ndini Brian ,ndangoti
ndikufonere ndikuudze kuti bye bye mumwe wangu.
(Daniel)*arr ko hesi Brian ,ko ndonumber
dzawakushandisa here idzi, ko uripi shamwari?
(Brian)*ndiri murenk yemabhazi, izvezvi ndakamirira
Tombs, ndikuda kutokwira bhazi ndiyende kunze
kwenyika chaiko
(Daniel)* chimbomira kuyenda ,iwe chiuya pamba
pangu tironge tiyende tese because ndikuda
kuyendawo kunze kwenyika ,saka huya unditore
tifambidzane pliz.
(Brian)* ok haisi nyaya ,ndakuuya kuzokutora but
ndosvika pamba pako manheru, because pane vanhu
vandisigadi kuti vandione, plizzz hope hausi kuita
matricks neni.
(Daniel)* ok huya unditore tiende tese ,saka
watogona wakafona nekuti ndanga ndichitoshaya
wekufambidzana naye ,saka apa ini ndakufano
gadzirira
(Brian)* haisi nyaya ,ndouya manheru byee, Brian
anobva adroper phone.. Nguva iyi Daniel anobva
aphonera Harmony ,pasina chinguva Harmony
anobva adavira phone.
(Harmony)* ndeipi Dani
(Daniel)* shamwari gara uri ready ,munhu
wamukutsvaga uya , arikuuya pamba pangu manheru
,saka garai muri prepared then kana auya ndokuudza
.
(Harmony)*iribho shamwari ita sekudaro ,isu
semapurisa hati zokushaisiwo mubairo.
(Daniel)* iribho will contact u ,byeee ...Daniel anobva
adroper phone ndobva atanga kuseka achiti*
mupfana Brian ndoda kukupa chidzidzo muhupenyu
kkkkkk ,Brian wakangouya pano wanyura, dai uri
umwe wagara waregedza kuuya zvako kkkk, manje
Brian nekukara kwaanoita kuuya pano ,ndotoziva kuti
haaregi kuuya ...Daniel kanobva katanga kuseka uku
kachiona TV zvako.
MAI RUTENDO MUKADZI WANGU, UKUMBOONA
HERE KUTI MAZUVA ARI KUFAMBA ZVISINGAITE,
SEZVO MANGWANA IRI FRIDAY ,TOTOBUDA
MAKUSENI SENI CHAIWO ,BECAUSE FLIGHT YATI
KUSHANDISA ICHAKURUMIDZA KUSUMUKA, SAKA I
GUESS KUTI KUMA4 DZEMASIKATI TETASVIKA
KUMBA,ava ndiBaba Rutendo vaitaura nemukadzi
wavo.. Zvisinei mai Rutendo vanobva vapindura
murume wavo vachiti* sure murume wangu ,and ini
ndikufara, kuita kuvaviwa chaiko, you know I can't
wait to see my daughter tomorrow ,
(Baba Rutendo)* shuwa adzimai, kana neni mwana
wangu ndamusuwa ,kusanganisira nemukwasha
wangu Brian ndamusuwawo,
(Mai Rutendo)* saka Rutendo maka muudza kuti
tirikuuya mangwana here?
(Baba Rutendo)* ehe ndaka muudza zvese ,zvekutoti
tichiburuka ndege mangwana ,totowana vakatimirira
paAirport naBaba Bhule.
(Mai Rutendo)*ok pakanakai baba ,kana makita
sekudaro maka togonesesa.
(Baba Rutendo)* tichisvika kuZimbabwe mangwana
,ndoda kuitira Brian party yekumuratidza kuti
ndikufara nekusara akachengeta Rutendo zvakanaka.
(Mai Rutendo)* ummm kana neniwo ndingafare
zvikuru.
(Baba Rutendo)*ok mukadzi wangu, ndokumbirawo
unonditorerawo Laptop yangu mubedroom
ndimboona news zvangu ,... Nguva iyi Mai Rutendo
vanobva vasumuka ndokuita zvavanga vatumiwa
nemurume wavo
Mama but hamuone here kuti zvandikuita hazvisirizvo
izvi..uyu ndiTanaka aitaura namai vake,. Zvisinei Mai
Tanaka vanobva vati *Tanaka ukumbozama kurevi ,
handisi kunatso kuhwisisa zvaukutaura
(Tanaka)*ndikuzama kuti kusatenda huroyi ,ini
ndanga ndafunga kumbo shanyira Rutendo
mangwana chaiye ,ndikuda kunomuona zvangu
,nekunomutenda kepiri nezva akandiitira muhupenyu
hwangu.
(Mai Tanaka)*iii mwana wangu Tanaka ndikutya kuti
unozosvika ukabata Rutendo chibharo , ndozongowa
kuti wasungwa ikoko.
(Tanaka)* aiwa mama Rutendo ndakutomutora saSisi
vangu ,saka pfungwa yekuda kurara naye handisisina.
Ikozvino mama zvese zvakapera zviya zvekurota
ndichirara naRutendo. Mazuvano ndakadzidza
kusamanikidza zvinhu zvisingaiti.
(Mai Tanaka)*arr hoo unoenda hako kunomuona
,hapana chakashata ,saka wati ukuenda kunomuona
rinhi?
(Tanaka)* ndikuyenda mangwana masikati
kuma4 ,saka apa mhamha chiregai ndimbosvika
kwaRuben ,ndimbono korovhera nhumbi dzekuenda
ndakapfeka kwaRutendo mangwana..
(Mai Tanaka)* hapana chakaipa mwana wangu
chienda unomuona kuchiri kwakachena ,kuitira kuti
kana dzakasviba ,wogara wawacha nguva iripo
,...Tanaka anobva asumuka ndokuenda kumba
kweshamwari yake ,kumbono pemha nhumbi
Nguva dzava 6 manheru ..Rutendo naVincent
vakagara zvavo musitting room sezvo vanga vapedza
zvese zvavanga vachiita naAnna ,..Rutendo anobva ati
*Vincent murume wangu chirega ndichiita ndiyende
kumba kwedu, I think tambo tandara nhasi .
(Vincent)*aiwa nhasi chimborara kuno ,ndoda
kurarawo newe nhasi, kumba kwenyu unozoyenda
mangwana makuseni,
(Rutendo)*kkkk Vincent nguva izhinji murume wangu
,remember zvinhu ndezvako and ndaka zvichengetera
iwe ,saka hapana chekumhanya, tichazorara tese next
time.
(Vincent)*pliz cwty usandidaro kandi ,ndoda
kurarawo newe nhasi,
(Rutendo)* Vincent remember ndine mwana kumba
uko, izvezvi ndine 2days ndisina kana kumbomuona
saka nhasi rega ndiyende kumwana Vincent ,and
mangwana vabereki vangu vakuuya usakangamwe
,saka ndoda kuenda newe kuAirport tono
vagamuchira then ndobva ndavaudza about you and
me tohwa kuti vanoti chii, kana vatendera then wobva
wandirora togara tese.
(Vincent)*it's ok mukadzi wangu ,chimira
ndikuperekedze nemota ndino kusiya kumba kwenyu
(Rutendo)* ok Vincent but mangwana ugare uri ready
because handisi kukusiya ,totoenda tese kuAirport.
(Vincent)* ok babe ndine surprise hombe yanda
kakurongera ,so kana vabereki vako vaka ndifarirawo
uchaona zvandichakuitira.
(Rutendo)*vabereki vangu kukuda kana kusakuda ,ini
ndino ngoramba ndichikuda kusvika Amen ,Vincent
chindi perekedza ndiyende kumba ini.
(Vincent)*ok famba tiyende ....Nguva iyi Rutendo
naVincent vanobva vabuda mumba ,ndokunopinda
mumota yaVincent ,Vincent anobva aenda kunosiya
musikana wake kumba kwavo
Ava manheru uku Pastor vagere zvavo nemukadzi
wavo pasofa vakatandara . But Pastor mupfungwa
mavo vaingova nestress yeSikarudzi yavo .Pastor
vainetseka kuti saka ndichasvika rinhi ndine sikarudzi
yechikadzi nhai mwari...Nguva iyoyi Ashanti naAnitha
vanobva vabudikira pamberi paPastor nemukadzi
wavo ,,,Mai Ashanti vachiona vana vavo ,vanobva
varohwa nehana ndokubva vatanga kuridza mhere
vachiti *Baba Anita honai vana vedu avo vamuka
zvipoko, vana vangu kaniii yohwee vana vangu kandi..
* nguva iyi Anita naAshanti vanobva vati *mama
regai kuchema henyu ,nekuti takafa kare saka nyango
makachema hatichafe takaita vanhu futi, asi kubva
zvamakativiga ,mweya yedu haina kuzorora nekuti
takafa nenzira inogwadza ,baba ndivo vakatiuraya
,saka isu takuda kuti mweya yedu ichizorora tiyende
kudenga kunaMwari, asi tisati taenda toda kuti baba
vatange vakuudzai mabasa ehuroyi avanoita ,baba
vanohwanda nezita ramwari asi ivo vachiziva kuti
vanonamata Satan, uye Baba vedu vakatiuraya
nenhahu yekuti vakakara mari ,saka nguva ino tinoda
kuti baba muudze mhamha chokwadzi chese chezva
munoita., nguva iyi Mai Anita vachihwa izvi vanobva
vawedzera kuridza zimhere, ndobva varova Pastor
zimbama ndobva vati *imi Baba Anita taurai chokwai
chese imi, ishuwa here dzikutaugwa nevana ava ,,uku
mai Anitha vachi ngochema ,,zvisinei Pastor
vatangawo kuchema ndobva vati *mai Anita I am
sorry mukadzi wangu its true zvese zvataugwa
navana ava ,..vana vedu ava ndini ndakavauraya
ndobva ndadya nyama yavo naMaster, pese paya
patinenge tiri kuchurch ndenge ndisingamati mwari
but ndendichinamata Satan , paya pamunohwa
ndichiti Master ndinenge ndisingarevi mwari but
ndenge ndichireva Satan, saka kuswera zuro tiri pasi
pemvura tichiita meeting yedu yerima, Master vakati
ndofanira kuuraya mukadzi wangu ,ini ndobva
ndaramba ndikati handikwanise kuuraya mai Anita
nekuti ndovada zvikuru ,saka kubva musi iwowo
wandakatyora mutemo ndakabva ndanzi ndofanira
kuurayiwa, izvezvi ndiri munzira yerufu ndofanira
kutofa chero zuva nenyaya yekuti ndakaramba
kuuraya mukadzi wangu , kana muchiti ndonyepa
Mirai ndikuratidzei zvandakaitiwa naMaster nezuro
,..nguya iyi Pastor vanobva vabvisa bhurugwa ravo
ndobva vasara vakashama ,.Pastor ndobva vati *mai
Anita hona zvandakaitiwa naMaster nezuro, Mai Anita
pava notarira vanobva vaona murume wavo ane
sikarudzi yechikadzi ,Mai Anita vachiona izvi vanobva
vafenda, nguva iyi Anita naAshanti vanobva
vanyangarika.
Manheru aya Daniel arikumba kwake akuhwa hope
,sezvo anga aneta nekumirira Brian asingauyi ,..
Zvisinei Daniel ari mumba make kudaro anobva ahwa
noc padoor ,.Daniel anobva ayenda kudoor kunoona
ndiyani arikunoka, Zvisinei Daniel achisvika padoor
anobva aona ariBrian arikunoka ..Nguva iyi Daniel
anobva ati* arrrr Bidza my friend wagona wakauya
because ndanga ndava worried kuti hauchauyi kaini,
ipapa ndanga ndakutofunga kuyenda ndega zvangu
but thank God wabva wauya ,zvisinie pinda mumba
ugare uite zvaunoda ,feel at home inoyi imba yako
usanyare kuita zvaunoda muno ndakupa go ahead
ndini... nguva iyi Brian anobva apinda mumba umu
ndobva agara pasofa ,but Brian zvakamunetsa kuti
kwakanaka here nhasi ikoku kwandinonzi naDaniel
feel at home ,Daniel haasi wekumbo ndirarisa pasi
pemota here iyeyu ,but nhasi yava feel at home. umm
something wrong chete ,hooo kana kuti kutaura
kwekufara kuti ndauya kuzomutora hookay ndazoziva
,,Nguva iyi Brian anobva ati* shamwari Daniel
chigadzirira tiyende because pane bhazi rikusvika
murenk after an hour ,saka tofanira kubata bhazi
iroro ,tokwira iroro toyenda
(Daniel)* iribho Brian chindimirira ndipedzise
kurongedza bag rangu tiyende... Nguva iyi Daniel
kanobva kaenda mutoilet mako ,ndobva kaburitsa
phone yako ,ndobva kafonera Harmony, pasina
chinguva Harmony anobva adavira
(Daniel)*hallo Harmony uripi ,zvinhu zviya zvaita
(Harmony)* ndiri kucamp ,ndiripashift ,ko zvaita here
sha because takangomirira kuno, titori prepared.
(Daniel)* ehe zvaita ,kutaura kuno Brain arimumba
muno ,saka imimi itai fast please ,
(Harmony)* haisi nyaya takutouya ,iwe muvaraidze
kusvikira tauya ,just gv us 3 minutes only ,tinenge
tasvika.
(Daniel)* ok plizz be Fast byee ,..Daniel anobva
adroper phone ndobva ayiisa muhomwe , nguva
yaanotendeuka anoona Brian akamira kushure kwake
akabata zibanga
END OF CHAPTER 30

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO
CHAPTER 31
STORY BY SIMON PHIRI
+263771643631
DANIEL ANOBVA ADROPER PHONE NDOBVA AYIISA
MUHOMWE, NGUVA YAANOTENDEUKA ANOONA
BRIAN AKAMIRA KUSHURE KWAKE AKABATA
ZIBANGA..nguva iyi Daniel anorohwa nehana zvese
nekuvhunduka ndobva ati*pliz Brian it's not what you
think, mira nditsanangure ,ndimai vangu vandanga
ndichitaura navo paphone, vanga vachiti inda
dzavanetsa Kumusha uko, saka vakuda kutengegwa
mushonga wekufirita machira avanofuga, ndizvo
zvega zvata taura paphone,.. Brian anobva ati* nxxxx
unofunga ndiri mwana wamai vako here ini??, kasi
unondiona sechituta chako here? nxxx unofunga
wakangwara, saka wanga uchifonera mapurisa kuti
azondiita sei? ,saka plan dzako kundisungisa nhai,
manje this time wabaya wrong button chikomana,
rega ndimbokuranga,.. Daniel achihwa izvi anobva
atanga kubvunda nekutya ndobva ati *pliz Brian sorry
ndiregerewo remember I am your good friend ,chiisa
banga iroro pasi., nguva iyi Daniel asati apedza
kutaura ,.Brian anobva arova Daniel chibhakera
chamatsenga dzungu, chisina kana kumira mushe
,.Daniel semunhu anga agwadziwa nechibhakera
anobva ati better nditize because ndingaurayiwe
naBrian,. Daniel achida kutiza anobva abatwa bhachi
naBrian kuti asatize, nguva iyi Brian anotanga
kurovera musoro waDaniel pamadziro, Daniel
anobva atsemuka pagotsi ndobva atanga kusinina
ropa,. Brian anobva atanga kurova kumeso
kwaDaniel nezvibhakera ,. Brian paanoona kuti Daniel
anenge adamba nezvibhakera ,Brian anobva ati
better ndisiye ndachiuraya chimupfana ichi, nguva iyi
Brian anobva akanda banga pasi, ndobva agara
padumbu paDaniel ,ndobva adzipa huro yaDaniel..,
Daniel akadzipiwa kudaro ,akamboyedza kuda
kuzama kugwisa but akakonewa nekuti Brian aive
akadzipa nesimba rake rese,. Nguva iyi Daniel anobva
atanga kuhwa mweya wake wakuda kupera ,akutohwa
kuti apa ndakufa, .Zvisinei nguva iyoyo panobva
papinda mapurisa 4 akabata pfuti,. Umwe mupurisa
anobva anongedza Brian nepfuti ndobva ati *(hey
freeze)... Nguva iyi Brian anoona kuti apa pashata
,Brian anobva aregedza huro yaDaniel, ndobva
asumudza maoko ake ese mudenga ,kuratidza kuti
anga aSurrender sezvo anga aona Pfuti dzamutarisa
,Nguva iyi mupurisa Harmony anobva ayenda
panaBrian, achisvika panaBrian anobva aisa njema
mumaoko a Brian ndobva ati *you got the right to
remain silence, anything you will say will be used
against me, now chifamba takuenda newe kukamba
kunoku vharira tozomirira kutongwa kwenyaya yako,.
Nguva iyi Brian achihwa zveku yendesewa Kukamba
,hana yake inobva yarova ,Brian anobva aziva kuti aka
ngoendesewa kukamba anenge atonyura sezvo
mhosva yake yekuuraya Vincent ichi zikanwa
kukamba,. zvisinei nguva iyi Brian anobva ati *Officer
pliz ndiregerereiwo ndiyende kwandikuda kuyenda,
kana mukandiregera ndokupaiwo $2000 yeDrink,..
Officer Harmony vachihwa izvi ,vanobva varova Brian
zimbama padama,. Brian paanorohwa mbama iyi
anobva amboona rima nenyenyedzi, Brian anobva
amboyedza kuda kugwisa but zvakashaya basa nekuti
anga akaisiwa njema mumaoko,.. Officer Harmony
vanobva varova Brian imwe mbama padama futi
,,nguva iyi Brian anobva ahwa kugwadziwa ndobva ati
*officer chindiregereiwo plizz ,hendei kukamba
kwacho ,nhasi ndapfidza officer mbama yenyu
inotapira kanhi,.. Officer Harmony vanobva vapa
Brian imwe mbama padama futi ndobva vati
*mhanya izvezvi unopinda mumota yedu iripanze
apo, ..Nguva iyi Brian anobva amhanya ndokubuda
panze ,ndoku nopinda musantana yemapurisa yanga
yakapaker panze., Uku officer Harmony vari mumba
,vanobva vazungunusa Daniel ndobva vati *Daniel my
Friend are you ok pliz talk to me ..Nguva iyi Daniel
anobva atanga kukosora ndobva ati *I am fine thank
you Harmony, wagona wakurumidza kuuya because
dai wanonoka kuuya waiwana mwana wehure uyo
andiuraya,.. Officer Harmony vanobva vati *its ok
Daniel thank you so much ,iwe chisara uzorore ,isu
takuda kuyenda memhondi iyo kukamba, don't worry
mubayiro wako unouwana because mukuru wedu
(Surgeon Morris) vakati vanokupa mubayiro wako
anyday.. Daniel anobva ati *it's ok Harmony u can go
now ... Nguva iyi Harmony anobva ayenda kumota
kune vamwe vake, achipinda mumota umu ,anobva
amutsa mota , ndobva adriver mota yavo vakananga
kukamba ,..uku Brian aifamba achirohwa road yese,
munongoziva dzungu rinemapurisa maRequruites.
Mapurisa aya achisvika kucamp anobva aburuka
mumota, ndobva mumwe mupurisa ati *iwe
mupfana Brian wakatogara mumota imomo iwe
uchiona tasvika ,nxxxx buruka mumota umu
ndokuvhara nembama izvezvi.. nguva iyi Brian
achihwa izvi anobva aburuka mumota umu
achimanya, aburuka mumota umu kudaro ,Officer
Harmony vanobva vati *chifamba apo kwete kuda
kuti pedzera nguva yedu, ndokuvhara neimwe
mbama izvezvi ukunzwa ka,. Nguva iyi Brian anobva
afamba achitevera kushure kwemapurisa aya,.
Zvisinei vachisvika muReception yemapurisa ,mumwe
mupurisa wechikadzi aiva muReception umu
,paanoona Brian anobva ati *ndiyo mhondi iya
yekudzipa munhu here iyo yamauya nayo
maOfficer ?? ,..Officer Harmony vanobva vapindura
vachiti *ehe ndiyo chaiyo ,apa tatosvika iripakati
pekudzipa Daniel futi ,zvekuti dai tanonoka kusvikako
taiwana Daniel changova chitunha. Saka mhosva
dzaBrian dzava nhatu, imwe mhosva yake ndeyekuda
kutidhiza mari kuti tisamusunge, manje isu
semapurisa taramba kigachira chiwokomuhomwe
chake.. Nguva iyi mumwe mupurisa wechikadzi
anobva ati *iiii inga mhondi iyi inezvivindi chaizvo
,yanga yakutouraya Daniel futi., apa yanga yoda
kukutengai nechioko muhomwe inga zvakaoma, saka
isu mangwana tichafonera Rutendo tomuzivisa kuti
mhondi yekudzipa murume wake taibata, tohwa kuti
Rutendo wacho achiti chii?? ,.Officer vechikadzi ava
vanobva vati kuna Brian *nhai Baba imi zvamukuita
izvi ishavi here kana kuti mudzimu or mukuzviitisa
henyu ,manje mhosva dzenyu idzi dzawanda isu
hatina chatingataure, saka totomirira kuuya
kwemukuru wedu (Surgeon Morris) makuseni tohwa
kuti nyaya yenyu inofamba sei ,tichayenda nemi
kucourt tohwa kuti mopihwa mutongo wakadi
maererano nemhosva dzenyu,.. Brian haana
chaakapindura ,akaramba ari ziii .. Vamwe Officer
vechikadzi vanobva vati kune maRecrutes aya *
anywhere sezvo ari manheru kudai hatina
zvakawanda zvatingataure ,imi chimbotangai marova
mhondi iyi zvakasimba chaizvo, irovei kusvikira
yazvimba makumbo iyawo ,kana mapedza kuyirova
mobva mano ivharira muCell,.. Nguva iyi kamwe
kamupurisa kamu Recruit kanobva katota
(butterstick) yako, ndobva kati kunaBrian *iwe
mupfana iwe kurura bhutsu dzako urare pasi
nedumhu wakasumudza makumbo ako ese
mudenga,. Nguva iyi Brian anobva aziva kuti apa
ndakuda kumborohwa manje, but zvisinei Brian
anobva arovera moyo padombo ,ndobva abvisa
shangu dzake nemasokisi ,kunyango zvake aiva
nenjema mumaoko but shangu aka kwanisa kakurura
,.Zvisinei Brian akurura sangu dzake, ndobva arara
pasi nedumbu aka sumudza makumbo ese
madenga... Nguva iyi kamupurisa kaya kanobva
Katanga kurova pasi petsoka dzaBrian neButterstick
,.Brian akarohwa zvekurohwa zviya ,akarohwa
kusvikira mapurisa echikadzi asvika pakubuda
misodzi nekugwadziwa,. But kamupurisa kaya
kakaramba kachirova Brian ,kusvikira Brian
azofenda,. Nguva inofenda Brian ,Officer vechikadzi
vanobva vati *zvakwana imi momuuraya apa, dai
murimi maihwa sei, chimuendesai kumaCells apa,.
Nguva iyi tumapurisa itwi, tunobva tasumudza Brian
sezvo Brian anga afenda, zvisinei twamusumudza
kudaro ,tunobva tweyenda naye kuCell, twasvika
mucell tunobva twaisa Brian pasi, ndobva twamudira
mvura inotonhora, Brian paanodigwa mvura iyi
anobva asvinura, ndobva atanga kubvunda sezvo
anga arohwa zvekurohwa zviya... Tumapurisa itwi
patoona Brian asvinura, tunobva twasiya twavharira
Brian muCell, ndobva twadzokera kubasa kwato.
*Ava makuseni*
Rutendo arikumba akagara naMai Ticha, Rutendo
achimboudza mai Ticha nyaya yese yaBrian
yekudzipa Vincent ,ndobva avaudza yekuzomutswa
kwakaitiwa Vincent namwari muchipatara..
(Mai Ticha)* inga zvakatooma shuwa, ichi
ndochinonzi chishamiso chakaitiwa namwari, handi
ndaigara ndichikuudza kuti the best ammo against
devil its prayer, zvekuti dai usina kushinga
nekunamata ipo paya dai kaVincent kasisipo nhasi.,,
Saka iwe maonero ako Brian enenge aka yendepi,
sezvo wati akatiza?
(Rutendo)*umm handizivi kuti aka yendepi but
maonero angu ndoona senge akabuda munyika
muno ,because ini akasiya andiudza one word rekuti
TICHAONANA KUDENGA
(Mai Ticha)* yoo Brian zvaari mabasa chaiwo kkkkkk,
zvanzi tichaonana kudenga kkk nhasi ndaseka zvangu,
(Rutendo)*moziva sisi ka, Brian aive munhu kwaye,
Brian is very handsome nyango Vincent haana door,
ende Brian taidanana shuwa mwari vanga vakati
komborera, but chinhu chakazovhiringa Brian
kusagutsikana pamwe chete nekuchiva ,kuchiva
kwaakaita ndiko kwaka zomutuma kuromba ,but
kutaura chokwadi Brain aindida nemoyo wake wese,
but inyaya yekuti aipihwa mitemo nezvikwambo
zvake, saka mitemo iyoyo ndiyo yaka zotiparadzanisa
naBrian, but thank God nekuparadzana kwatakaita
because ndakabva ndazowanawo munhu anondida
zvese memwana wangu ,manje chiona nhasi Brian
hupenyu hwake hwakuhwisa tsitsi.
(Mai Ticha)* zveshuwa Brian aikuda ndikuyeuka
mazuva aya achiri kudriver taxi, muchiri kugara kuya.
anywhere nhasi urikuita sei coz ndakahwa uchiti
vabereki vako vakuuya nhasi Friday,
(Rutendo)* hwongu vakuuya nhasi ,saka
mondiperekedzawo kuno vatambira kuAirport here?
(Mai Ticha)*umm don't think so ,because moyo
wangu ukungondinza kuti ndichaita vayenzi nhasi
,saka handifanire kubuda pamba .
(Rutendo)* hapana chakashata saka ndoyenda
naVincent zvangu
(Mai Ticha)* umm Rutendo izvozvo hazviiti, unofanira
kunotora vabereki vako wega ,then after that
mavakumba wozonatso vaudza nyaya yako naBrian
,wobva wazovaudza kuti wakawana umwe then
wonzwa kuti vanoti chii, kana vataura iwe wobva
wazovaratidza Vincent, zvinhu zvako ngazvive
necorrect procedure ,kwete kumhanya
(Rutendo)* umm thank u sister neadivice yenyu ,sure
that is a good idea ,saka ndichaita sekudaro zvisinei
Sisi chiregai ndogeza ndigadzirire kuyenda kuAirport
because rwendo mangwanani.
(Mai Ticha)* haisi nyaya chigadzirira unoona vabereki
vako.. ...Nguva iyi Rutendo anobva asumuka ,ndobva
ayenda kuBath kunogeza.. Uku Mai Ticha vanosara
vachitamba nevana komana vavo semagariro,
Vincent ari kucarsale yake ,akagara zvake muoffice
make achifunga Rutendo, Vincent anobva ati better
ndimbofonera Emma ndihwe hurongwa hwake
hwava papi, sezvo Rutendo akabvuma ndimurore
,saka ndikufanira kugara ndakagadzirira ,apa
vabereki vaRutendo vakuuya nhasi ,eishh saka nhasi
ndopfekei ,because ndofanira kuonekera pamberi
paAmbuya sefirst time so ,, but rega nditange
ndafonera Emma ndihwe kuti avapapi nehurongwa
hwangu,.. Nguva iyi Vincent anobva aburitsa phone
yake muhomwe ndobva afonera Emma, nguva iyoyo
Emma anobva adavira call
(Emma)* hallo Mr Vincent
(Vincent)*ndyp Emma
(Emma)* am fine just finished basa renyu like now.
(Vincent)* ok saka ukureva kuti watopedza zvese
here? ,because muchato wacho wava paduze ,coz
nhasi ndipo pandikunoona vabereki vemukadzi
wangu ,saka ndipo pandobva ndavazivisa
nezvemuchato wangu. saka iwe gara uri ready,
(Emma)* don't worry mukoma zvakawanda zvacho
takapedza kudhara ,saka kwasarira kwamuri kuti
mungotidana chete , takatomiririra imi kutaura kuno.
(Vincent)*saka kana pakadaro panaka, saka ini
ndichakufonera manheru after ndaonana nevabereki
vemukadzi wangu, saka manheru ndipo pandi
chakuudza official date reWedding yacho.
(Emma)* no problem Mr Vincent, remember you are
one of our special customers, so best customers
deserves the best, and l promise you toda kukuitira
Classical Decorations , dzemando yemapusoro
zvekuti muchato wenyu uchabuda paTV chaipo, eishh
can't wait for this Wedding akomama
(Vincent)* thanks for that Emma ,chirega ndimboita
basa, i will call you manheru then ndokuudza official
date Wedding yacho
(Emma)* ok me and my team we are ready and
manheru tenge takatomirira call yenyu ,kuti tihwe
date racho, anywhere good day Mr Vincent thanks for
the call,
(Vincent)* ok once ndaona vabereki vemukadzi
wangu ,ndipo pandobva ndaziva date racho, because
ndichahwa date racho kubva kwavari, anywhere byee
Emma .. .Vincent anobva adroper phone ,ndobva
ayenderera mberi nezvaanga achiita muOffice make.
*Ava Masikati*
Rutendo apedza zvese zvaanga achiita ,anobva atora
mwana wake ndobva aisa kumusana ,apedza kudaro
anobva audza Mai Ticha kuti ndakuyenda kuAirport,
Rutendo apedza kuoneka Mai Ticha anobva apinda
muroad ndobva anokwira combie akananga
kuAirport. uku Rutendo akangoyenda ega asina
kumboudza Vincent,,, Zvisei papera 40 minutes ,Mai
Ticha vagere mumba mavo vanohwa noc padoor, Mai
Ticha vanobva vadeedzera vachiti* Ndiyani akunoka
padoor,. Zvisinei munhu ainoka anobva apindura
achiti* ndini Tanaka .. Mai Ticha vanobva vati* ok
Tanaka pinda hako... Tanaka achipinda mumba umu
,Mai Ticha vanobva vamutarisa ndobva vaona Tanaka
akachena akapfeka Jean rakanakisa neShirt yewhite
inoenderana neshangu dzaanga akapfeka, uku
Tanaka wacho mutsvuku, Handsome, uku akati rebei,
Tanaka anga akachena zvikuru, nguva iyi Mai Ticha
vakatarisa Tanaka vanobva vatogwa moyo wavo
naTanaka,.. Ukuwo Tanaka paanotarisa Mai Ticha
anobva aona zvidzva zvamai Ticha zvichionekera
nepavent yeskirt yaMai Ticha, uku Mai Ticha vanga
vakapfeka kamini semunhu aiva mumba make, plus
mai Ticha munhu aive nemuviri mukobvu, uku
chivakashure pavari chaitova chipo chaicho, Tanaka
achiona zvese izvi, nechemumoyo anobva ati*
zveshuwa apa paita zvetype yamukadzi wandofarira,
Tanaka anobva ahwa moyo wake wese kuperera
panaMai Ticha,,, Zvisinei Tanaka anobva agara pasofa
ndobva ati* umm makadi zvenyu mother, ko
ndingaonewo Mai Blessing here?
(Mai Ticha)* manje mapesana Rutendo atove ne40
minutes abuda, saka mozodzoka mangwana anenge
aripo full time ,..
(Tanaka)* ok saka ndichauya ndomuona mangwana
masikati.
(Mai Ticha)*its ok ...*Nguva iyi Tanaka anobva
aperegwa nenyaya sezvo anga achiva Mai Ticha,,
Tanaka anga akuda kupfimba Mai Ticha, but
chainetsa ndechekuti kupfimba kwacho anga
asingagoni ,but zviseni anobva arovera moyo
padombo ,nechemumoyo ndobva ati rega ndizame
kupfimba Mai ava, kana ndarwambwa ndinenge
ndarambwa ko ndini ndinenge ndatanga nazvo here,,
Tanaka anobva ati
(Tanaka)* umm ko mother munonzani Zita renyu
ende makumbo enyu akanaka?
(Mai Ticha)*thank you, ini ndonzi Esther but u can
call me Mai Ticha
(Tanaka)* inga zita renyu rakanaka mother
(Mai Ticha)* sure thank you ,so tell me what is your
name ,.. Tanaka paakahwa chirungu ichi akabva aita
rima ,because Tanaka anga asinganzwe chirungu
kana kapeace, Tanaka akabva ati better ndiite senge
ndisina kunzwa zvataugwa namother ava, pamwe
ndikadaro vangataure neshona, Tanaka anobva ati
(Tanaka)*umm mother dzokorodzai kutaura ,handina
kunatsonzwai
(Mai Ticha)* I said what is your name.
(Tanaka)*hoo eish arrr, Salt
(Mai Ticha)* what are u saying,
(Tanaka)* umm eee hospital glass.. Nguva iyi Mai
Ticha vanobva vaona kuti shasha iyi haihwe chirungu,
Mai Ticha vanobva vabatwa nesetsa ndokubva
vatanga kuseka zvavo
(Mai Ticha)*kkkkkkk
(Tanaka)* mother mogona kundiseka henyu but ini
chirungu handichihwi, nekuti handina kuyenda
kuchikoro, manje apa ndine nyaya yandanga ndichida
kutaura manje ndikunyara kuitaura, sezvo
matondiseka kare.
(Mai Ticha)* mmm ukunyara kutaura kuti chiii nhai
Tanaka.
(Tanaka)* ndanga ndichida kukuudzai kuti
pandapinda muno ndichikutarisai mabva matora
moyo wangu, manje nekusagona chirungu kwangu
uku ndoziva kuti hamu ngambondide, saka ndizvo
zvandituma kuti ndinyare kutaura kuti ndokudai
nemoyo wangu wese
(Mai Ticha)* kkkk Tanaka kana uchindida chinatso
taura zvakanaka kwete kuhwanda hwanda,
(Tanaka)*umm Mai Ticha kutaura chokwadi ini
ndokudai, kunyango zvangu ndiri murombo kasi
ndokudai nemoyo wangu wese
(Mai Ticha)* Tanaka manje ini handichakwanise kuita
rudo rwevana ,ini ndikuda serious relationship
,ndikuda murume anoda zvekugara neni..
(Tanaka)*ini hangu ndizvo zvandikudawo, but
handizivi kuti ndozogona kukuchengetai here.
(Mai Ticha)* don't worry about that, ndichagara newe
pano ,tichi chengetana ini ndongoda murume
anoziva Mwari, uye anotya Mwari
(Tanaka)*eishh Mwari maitabasa zvishuviro zvangu
mazo zadzisa,.
Nguva iyi Mai Ticha vanobva vaseka, ndobva vaenda
panaTanaka ndobva vamukisa padama ndobva vati *I
love you too Tanaka, oo sorry ndati neniwo
ndokudawo Tanaka,.. Nguva iyi Tanaka naMai Ticha
vanobva vatanga kuseka vese sezvo moyo yavo yanga
yapindirana ,zvisinei vapedza kuseka vanobva
vatanga kuudzana history dzehupenyu hwavo....
Vincent arikumba kwake aripakati pekugadzirira kuti
ayende kunotora Rutendo vayende kuAirport ,.
Vincent aripakati pekuita izvi anobva ahwa phone
yake ichipinda massage, Vincent anobva avhura
massage iyi ndokuona yabva kuna Rutendo yakanzi *
(Vincent murume wangu ,if you mean it kuti you love
me, pliz nditevere kuAirport, unondiwana ikoko pane
zvikuitika).. Nguva iyi Vincent anobva atomhanya
ndokunopinda mumota yake ndobva atevera mukadzi
wake.
*Phone ringing*
Iyi iPhone yaRutendo yairinger,. Rutendo anobva
atarira kuti ndiyani akufona ,ndobva aona
arimapurisa aya aiphona, Zvisinei anobva adavira
(Rutendo)* hallo officer
(Mupurisa)* ndakufonerai ndikuda kukuudzai kuti
mhondi iyi yekudzipa murume wenyu takaibata , saka
Mukuru wedu Mr Morris vati imi nemurume wenyu
wekudzipiwa uya, muuye kucamp makuseni na8,
pane zvavanoda kuhwa kubva kwamuri before asati
apihwa mutongo wake.
(Rutendo)* ok vamupurisa touya
(Mupurisa)* ok bye
Masikati aya, Brian achingori mucell muya uku
achizvitarisa muviri wake ,Muviri wese wanga
wakazvimba pamwechete nekukuvara sezvo aive
akarohwa zvikuru nemapurisa aya ,..Zvisinei Panobva
pasvika mumwe mupurisa ndobva ati kunaBrian* iwe
mupfana huya kuno ,mukuru wedu Surgeon Morris
vauya vakuda kukuona, ..nguva iyi Brian anobva
asumuka paanga akagara ndobva atanga kufamba
zvishoma nezvishoma achibuda mucell umu, Brian
aifamba zvishoma nezvishoma because pasi petsoka
dzake paive pakazvimba nekurohwa kwaakaitiwa,
Zvisinei Brian nemupurisa uyu vachisvika
muReception ,mupurisa anga anaBrian anobva
asaluter ndobva ati* Major Morris ndauya nayo
mhondi yamandituma kunotora,.. Nguva iyi Surgeon
Morris pava notarisa Mhondi yacho ,vanobva vaona
ndiBrian uya wekuuraya mukoma mukoma wangu
Max ,. nguva iyi Surgeon Morris vanobva vazarigwa
,ndobva vabvisa hat yavo yechipurisa ndobva vati
kunaBrian *Brian do you still remember me,.. Nguva
iyi Brian paanotarisa mukuru wemapurisa uyu
anobva aona ko zvaari Morris wandaida kuuraya
paya, zvaari Morris munun'una waMax
END OF CHAPTER 31

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO
CHAPTER 32
STORY BY SIMON PHIRI
+263771643631
NGUVA IYI BRIAN PAANOTARISA MUKURU
WEMAPURISA UYU ,ANOBVA AONA KO ZVAARI
MORRIS UYA WANDAIDA KUURAYA PAYA, ZVAARI
MORRIS MUNUN'UNA WAMAX. Nguva iyi Brian
anoshamisika ndokuti* arr Morris ndiwe wava
(OFFICER IN CHARGE) wepano, pliz Morris
ndiregerewo ndiyende, ndoziva ndakakutadzira but
Mwari vanoti regererawio vano kutadzirai.
(Morris)* ndozvinoita mwari wanda kunamata, ndini
ndava Officer in Charge wepano, ende handina
zvakawanda zvandingataure newe bcz mhosva dzako
dzakawandisa ,saka nyaya yako iyi ikunoperera
kucourt chaiko full stop.
(Brian)* musadaro mukoma Morris ndokumbirawo
ruregerero, nekuti mukandiendesa kucourt
ndinogona kunopihwa mutongo unogwadza kana
kuurayiwa nemagetsi ikoko, hona kukuvara
kwandakaita ,mapurisa epano akandirova zvikuru,
izvezvi ndogona kungofa bcz ndikugwadziwa
zvisingaiti, pliz Officer Morris ndihwireiwo tsitsi.
(Morris)* shamwari ini ndiri pabasa hapana
zvekuhwirana tsitsi but ndongoita mutemo webasa
rangu, then apa tamirira Rutendo nemurume wake
tihwe kuti vanoti chiii nezvawakaita kumurume
waRutendo, hantie unoziva kuti wakayedza kuuraya
murume waRutendo, plus nezuro manheru waida
kuuraya Daniel, zvekuti dai mapurisa epano asina
kuuya kwaDaniel nezuro ,dai waka touraya Daniel
,uchiri kuyeuka pawaida kundipfura nepfuti paya
ndikatopona nekutiza, saka iwe utori mhondi huru,
kana tikakuregera ungatopedze nyika yese uchidzipa
vanhu, saka zvekukuregerera panyaya yakadai
kangamwa zvako.. Nguva iyi (OIC Morris vanobva
vaudza umwe mupurisa kuti adzorere Brian mucell
,vozomuburitsa kana Rutendo auya then vofambisa
nyaya yavo... Zvisinei mupurisa uya anobva ayenda
naBrian kumacell, ndoku nomuvharira mucell.
Pastor varimuroad kuyenda kumba kwavo, uku stress
dzakaita kuzara mupfungwa vachinetsekana kuti, ko
mukadzi wangu Mai Anita akatsamwei mazuvano,
kubva musi uya waakambofenda haana kuzotaura
neni futi, ikozvino ane two days asingatauri neni,
kana kundibikira haachadi, ikozvino haacharari
mubedroom mandorara akurara ega paSofa
musitting room, nhai mwari mukadzi wangu
akatsamweiko ,hoo akatsamwira kuti ndakauraya
vana, pamwe nesikarudzi yangu ,uye nekuti
ndainamata Master ndichihwanda nezita raMwari,
but ingawani mai Anitha ndaka vakumbira ruregero
saka vaifanira kundiregererawo, zvisinei ndikasvika
kumba ndoda kumbozama kuva nyengerera, ndobva
ndakumbira ruregero futi... Zvisinei pasina chinguva
Pastor vanobva vasvika kumba kwavo, ndokuburuka
mumota yavo ndokubva vapinda mumba. Nguva
yavanopinda mumba vanobva vadeedzera,
vachidedza mukadzi wavo vachiti* Mai Anita mukadzi
wangu chiuya pano titaurirane ,ndikukumbire
ruregerero kepiri zvangu nekuti ndaona kutsamwa
kwako hakuperi mudiwa, chinguri ndakati sorry...
Nguva iyi Mai Anita vacho havana kupindura kana
chinhu, Pastor zvakabva zvavanetsa kuti ko nemhaka
yei mukadzi wangu achiramba achindinyararira, kasi
havamo here mumba muno, rega ndinovatarisa
mubedroom. Pastor vachipinda mubedroom
vanoona musina munhu, Pastor vanobva vatsvaga
mukadzi wavo mumarooms ese kusanganisira
nemuToilet but vanoona pasina munhu. Nguva iyi
Pastor vanobva vagara pasi uku vachiperegwa,.
Nguva iyi Pastor vanobva vapinda mubedroom
,ndokubva vavhura wardrobe ndokuona musisina
kana hembe dzamai Anita ,nguva iyi Pastor vanobva
vaziva kuti mukadzi atiza, Pastor vanobva vatanga
kuchema vachiti* nhai Mai Anita mukadzi wangu
unodarirei. Pastor vari pakati pekuchema kudaro
vanoona book nepen zvaiva pamubheda.. Pastor
vanobva vatora kabook aka ndokuona kakanyogwa,
vanobva vatanga kuverenga ,ndokuona kabook kacho
kakanyogwa kuti* Baba Anita murume wangu,
ndangoti ndikuudze kuti chisara neimba yako ini
ndayenda kuvabereki vangu ,ndamboshinga kugara
newe but zvakona nekuti moyo wangu ukugwadza
nezvawakaita vana vangu, moyo wangu urikugwadza.
zuva nezuva ndinogara ndichichema ndichifunga
vana vangu vamakauraya, dai waiziva kuzvara
kwogwadza sei ka dai usina kumboita zvawakaita,
kana uchida ruregerero rwangu unofanira kutanga
wanopupura zvivi zvako zvese muchurch mako
woudza church yako chokwadi chizere kusvika
kusikarudzi yako, ndokuti moyo wangu uchene
ndobva ndakuregerera ,kana Mwari
vanokuregererawo ,asi pasina izvozvo usanditswaga
hako nekuti ndingakushure... Pastor vachipedza
kuverenga tsamba iyi vanopererwa ndobva vatanga
kuchema vachiti* nhai Mwari zvino nyaya yakadai
ndoitaura sei muchurch pamberi pevanhu 200 ,vanhu
vanotondirova zvee kana kundisungisa ,uye
kungotaura zvakadaro Master vanotobva vandiuraya
bcz ndiwo mutemo wavo, saka better
ndingonopupura zvivi zvangu muchurch macho,
ndapedza kupupura Master vobva vangondiuraya
zvopera, but Mwari kana ndafa mugo chengetedzawo
Mai Anita mugovapawo mumwe murume arinani
Amen, saka ndamirira Sunday yacho kupupura
ndobva ndafa.
Rutendo achisvika kuAirport ,anoona Mai vake
vakatogara pabench nemaBag avo, uku baba vake
varipaLog vachipedzisa kucleer zvinhu zvavo zvavabva
nazvo kuDubai, Nguva iyi Rutendo achiona mai vake,
anobva afara ndokubva atanga kumhanya achienda
kwavari uku achidedzera achiti* Mama Mama
awuyawuya*... Mai Rutendo vagere pabench apa
vanonzwa voice remwanasikana wavo richidedzera,
Mai Rutendo vanobva vatarira kurikubva voice iri
ndokuona ari mwana wavo. Nguvai iyi Mai Rutendo
vachiona mwana wavo ,vanozarigwa nemufaro
ndobva vasumuka pavanga vakagara ndokubva
vakanda handbag nephone yavo Pasi ,ndobva
vatanga kumhanya vachiyendawo kunaRutendo
,vachisvika pana Rutendo vanobva vambundirana
nemwanasikana wavo ,misodzi yavo inobva yatanga
kuyerera uku vachiti *am sorry mwanangu
nekukusiya kwanda kakuita, ikozvino ndadzoka
handichafe ndadzokera kuDubai futi baby ,I miss you
so much Rutendo...,, Rutendo anobva apindura achiti
*I love you mama vangu, please musandisiye futi pliz
mama... Nguva iyi Baba Rutendo vari palog
vachangopedza kucleer mapepa avo, vanobva
vacheuka ndokuona mukadzi wavo akambundirana
neumwe musikana, vanobva vatarisisa kuti musikana
uyo ndiyani, vanobva vaona zvaari Rutendo, Baba ava
vachiona mwana wavo vanobva vazarigwa nemufaro
,ndobva vamhanya vakananga kumhuri yavo,
vachisvika pamhuri yavo vanobva vambundira
mwana wavo ndokubva vamukisa padama, ndokuti
*Nhai Rutendo mwana wangu kusimba kudai chii
,Brian arikumbokupeyi nhai baby... Rutendo anobva
ati *baba zvakawanda tichataura tava kumba
,ikozvino toda kumbotanga tatenda Mwari
nekukuperekedzai kwaaita parwendo rwenyu,... Baba
Rutendo ndokuti *shuwa Rutendo mwana wangu
ichokwadi idzodzo tafamba naMwari chaiye nekuti
pata buruka ndege taona usipo pano tikafunga kuti
pamwe hauuyi but zvisinei Mwari vabva vakuuyisa
,Zvisinei ndipowo muzukuru wangu Bhule
ndimbomubatawo mumaoko angu, nguva yanga
yarebesa... Nguva iyi Rutendo anobvisa mwana
kumusana kwake ndokumusvitsa kuna Baba vake..
Mai Rutendo vanobva vati *Rutendo ko Brian aripi
atisenge nemota yake tiyende kumba nekuti nguva
dzafamba isu toda kunozorora nekuti takaneta...
Rutendo anobva ati *mama Brian haapo, ndichanatso
tsanangura tava kumba ,saka isu ngatitsvagei maTaxi
tiyende kumba nguva ichiripo... NGUVA IYI MVURA
INOBVA YATANGA KUNAYA... Baba Rutendo ndokuti
*its ok, saka ngatimbogarai mushade muno mvura
ipere kunaya ,kana yapera kunaya totsvaga taxi
toyenda kumba. Dai ndaziva ndafonera Tonde auya
kuzotitora nemota yangu yanda kamusira ,manje
number dzake handisi kudziona ini dzinenge
dzakasara muphone yangu irikumba, zvisinei
hatigarei pabench apo takamirira mvura ipere, kana
yapera tokwira taxi toyenda kumba kwedu... Nguva iyi
Baba Rutendo vanobva vagara paBench nemhuri
yavo uku vachitamba nemuzukuru wavo Bhule
,ukuwo Rutendo achiyemera mai vake sezvo anga ava
nenguva asiri pedyo navo
Papera 30 minutes uku mvura ichingonaya, apa zuva
ranga rakurerekera kumadekero. Uku Vabereki
vaRutendo vanga vava worried kuti vachayenda
kumba nguvai, uye kana kwavira mataxi acho vano
zomawenepi,.. Nguva iyi Baba Rutendo vanobva vati*
Mai Rutendo mukumboona here kuti nguva
dzayenda, very soon kunenge kwasviba saka mataxi
acho ticha mawanepi, apa nzara yandibata .ukuwo
muzukuru wangu Bhule akukosora anenge akuhwa
chando... Mai Rutendo vanobva vapindura vachiti*
shuwa baba Rutendo zvakuchatovira tiri pano, apa
neniwo ndava nenzara chaiyo. Ko nhai Rutendo
mwanangu wadi wafonera Brian auyewo kuzotisenga,
asi dai mvura isinganayi baba vaimhanya kumba
kunotora mota yangu,. (Liberty) yangu iya yakakura
tinokwana tese mukati, manje kuchinaya so
hakubudiki. Saka dai wafonera murume wako auye
kuzotitorawo.. Rutendo anobva ati* mama zveshuwa
zuva rakutovira ,but nezita raJesu kumba takutoyenda
izvezvi chaiye Amen... Nguva iyi vese vanobva
vatarisa kuroad, vanoona pachisvika imwe mota
chena rudzi rwe(Toyota Corolla).. Mota iyi inobva
yapaker yakatarisa kunana Rutendo, uku mota iyi
yakatsvukisa maHEAD LIGHTS pamwe nemaWIPERS
sezvo kwainaya... Rutendo achiona mota iyi akabva
aifananidza neyaVincent sezvo yaVincent yaivawo
(Toyota Corolla)... Nguva iyi vabereki vaRutendo
vachiona mota iyi vanobva vati* eishh dai munhu
wemota iyo akadarikawo nepano ,kana adarika
nepano toda kutaura naye onotisiya kumba, tomupa
mari yake bcz nzara yatibaya tabva kuDubai tisina
kana kudya... Nguva iyi Rutendo akangotarisa mota
iyi, anoona munhu wemota iyi achivhura door
remota, avhura door remota kudaro anobva abuda
mumota uku anga akabata 2 mapaper bags airatidza
kuti anechikafu mukati, zvisei munhu uyu abuda
mumota make kudaro anobva avhara door remota
yake, ndokubva atanga kumhanya akananga kunana
Rutendo, uku munhu wacho anga ato totesewa
nemvura sezvo kwainaya... Rutendo anoona munhu
uyu achimhanya akananga pavari, Rutendo anobva
anetseka kuti munhu uyu ndiyani anenge arikuuya
patiri,.. Rutendo akatarira munhu uyu anobva azoona
kuti ndiVincent, nechemumoyo Rutendo anobva afara
zvekufara zviya, nekuti aiva aratidziwa rudo
runofadza naVincent ,uye akabva aziva kuti Vincent is
so carrying and trustworthy future husband,,... Nguva
iyi Vincent anobva asvika panana Rutendo ,ndobva
apfugama pasi ndokubva amhorosa vabereki
vaRutendo achiti* makadi mama naBaba, kurisei
kwamabva uko. ini Zita rangu ndonzi Vincent, sorry
zvenyu handi chakumhorosei nemaoko nekuti
ndanaiwa panda buda mumota, saka maoko angu
manyoro haasi kuita .. Nguva iyi vabereki vaRutendo
vanobva vatarisana ,ndoku tarisa Vincent kepiri
ndobva vamupindura vachiti* isu tiri bho*... Vabereki
vaRutendo mupfungwa mavo vakafunga kuti pamwe
munhu uyu ,munhu atumwa naBrian kuti auye kuzoti
senga nemota, Saka vaitofunga kuti Vincent nditaxi
driver or something else chaBrian... Nguva iyi Vincent
anobva aburitsa 3 maTake away echicken inn aiva
mumapaper bag aanga akabata, anobva atambidza
baba Rutendo take away neDrink ,ndobva
atambidzawo mai Rutendo take away yavo neDrink,
apedza ipapo anobva aburitsa yoghurt ndokuipa
Rutendo ndobva ati* iyi iyoghurt yaBhule ,take away
yako iri mupaper bag iri, chitorai mudye kana
mapedza will be waiting for you in the car hantie,..
Rutendo anobva ati* ko Vinny iwe hausi kudyawo
kasi? Ini ndoda kudya newe,. Vincent ndokuti* no
Rutendo am ok ndakaguta, imimi idyai kana mapedza
kudya munouya nezvinhu kumota ndobva
ndanokusiyayi kumba kwenyu,. Nguva iyi Vincent
anobva asenga mabag matatu aMai Rutendo, ndobva
anomaisa muboot remota yake ,apedza kuisa mabag,
anobva apinda mumota yake ndokugara akamirira
kuti vanhu ava vapedza kudya.... Baba Rutendo
vaoona mumwe musecurity aidarika ,ndobva
vamuvhunza kuti padzvimbo yavari pano tendegwa
kudya chikafu here?... Musecurity uyu anobva ati*
idyai henyu baba, ndobva ayenda.. Pasina Chinguva
Rutendo nevabereki vake vanobva vapedza kudya
,apa mvura yanga yakunaya zvishoma,.. Baba
Rutendo vanobva vati* mhuri yangu honai mvura
yakupfunha, saka isu hatimhanyei topinda mumota
isati yawedzera,.. Baba Rutendo vanobva vasumudza
monarch ravo ndobva vaenda kunopinda mumota
uku nemuzukuru wavo mumaoko,. Mai vaRutendo
vanobva vatora phone nehandbag yavo, ndokubva
vamhanya naRutendo ndokunopinda mumota,,
Vincent paanoona kuti vanhu vese vapinda ,anobva
amutsa mota ndobva arova nzira akananga kumba
kwevabereki vaRutendo.
Ava manheru Tanaka achisvika kumba kwavo ,
anosvika achiimba kanziyo achiita musindo achiti*
zvandadiwa nemwanasikana ndoita seiko, ndiudzeiwo
zvamunoita murudo ,ndomutengera mota here,
ndomutengera mbudzi here kana broira
,ndomuteyera mbeva here?.. Tanaka airatidza kufara
zvisingaiti,, Mai vaTanaka vari mumba vagere zvavo
vachisona zambia ravo, vanohwa Tanaka achiyimba
achiita musindo ariparuvazhe, mai Tanaka vanobva
vabhoyekana ndobva vabuda panze ndobva vati* iwe
Tanaka kwakwana here? Hausikuona kuti husiku here,
ukuitira vanhu musindo mudzimba dzavo, kasi
wabhema mbanje here..
(Tanaka)* arrrr ko vanhu vacho ndambo varambidza
kuitawo musindo here ini,... Tanaka anobva atanga
kuyenderera mberi nekuimba kambo kake, uku
achitamba kamutambiro kaya kamazuvano kanonzi
maCLACKS... Mai Tanaka zvakavanetsa kuti shasha
yakafarisirei kudai,..
(Mai Tanaka)* Tanaka usada kuita mafunnies neni
mhani ukuzvihwa ka nxxx, ndikukuvhunza kuti
kwakanaka here kwawabva ikoko kukutuma kuti uite
zvisina musoro kudai, kana kuti pfungwa dzako
dzatanga zviya futi..
(Tanaka)* mama ende makasara ndazviona, kasi
makangamwa kuti ndanga ndayenda kupi,
(Mai Tanaka)* ndoziva kuti wanga waenda
kwaRutendo kuno mutenda neku nomuona chete .
But chazo kufadza kudai handichizivi
(Tanaka)* muchaziva henyu
(Mai Tanaka)* iwe chii chaitika kwaRutendo chaita
kuti ufare kudai, kasi Rutendo akuravidza zvinhu here.
(Tanaka)*kkk kwete izvozvo mama, regai nditange
ndambofara kana ndapedza kufara ndoudza baba
,kana ndaudza baba ndivo vano zokuudzai nyaya
yacho. ende ndirikufara zvikuru kani
(Mai Tanaka)* nxxxx idiot.. Mai Tanaka vanobva
vadzokera mumba vachifambisa uku vachiratidza
kusvotewa,.. Tanaka anobva atanga kuseka zvake
,ndobva atevera Baba vake kuMitambo yavo,
kunovaudza kuti zvava kataura zviya zvaiitika.
Manheru aya vana Vincent vanobva vazosvika pamba
pevaberiki vaRutendo, Vachisvika pamba apa
vanobva vaburuka mumota vese, Baba Rutendo
vanobva vanoka gate, nguva iyoyo Gatemen anobva
avhura gate, paanovhura Gate anobva aona varungu
vake vadzoka ,Gatemen anobva afara ndokubva ati*
Baba Rutendo madzoka ,ndafara zvikuru nekukuonai
.imba yenyu ndakasara ndaka ichengetedza
zvakanaka, zvamakasiya iri ndizvo zvazvingori,. Baba
Rutendo vanobva vati* wakagona Gabriel nekusara
wakachengeta imba yangu ,ini chirega
ndimbonozorora nemumhuri yangu ndichazokupa
mubairo wako mangwana.. Nguva iyi Baba Rutendo
vanobva vanovhura door ndokupinda mumba mavo
nemhuri yavo, Vincent paanoona vamwe vachipinda
mumba anobva ati better ndisare panze because
kupinda mumba mevanhu ndisina kunzi pinda
zvonetsa.. Vincent anobva agara panze paside
nemaruva ,ndobva asiya vamwe vachipinda mumba,,
zvisinei Rutendo nevabereki vake vagara pamasofa,
Rutendo anotarira ndokuona Vincent hamo wani,
Rutendo anobva abuda ndokuyenda panze ,ndokuona
Vincent akagara pamaruva, Rutendo anobva ati* nhai
Vincent ukugara ipapo wega kuti zviite seyi, chipinda
mumba vabereki vangu vakuzivevo, Vincent haana
chaakataura akabva angopindawo mumba ndokugara
pasofa ndokunyarara bcz mumoyo make aisahwisisa
pfungwa dzevabereki vaRutendo, Zvisinei vagara
mumba kudaro, Baba Rutendo vanobva vati*
Rutendo mwana wangu tisati tataura zvakawanda,
ndanga ndafunga kuti Brian ndimupe mota yangu
yeRed iri panze iyo ,mota iyi ndikupa Brian segift, bcz
Brian ndomuda mukwasha wangu uya, hameno Mai
Rutendo mopaona sei apa... Mai Rutendo vanobva
vati* zveshuwa Brian he deserves more than just a
car, bcz mukwasha wangu ndomuda uya, ko nhai
Rutendo wasiyepi Brian wacho.. Rutendo anobva
atanga kuchema ndobva audza vabereki vake nyaya
yese yaBrian ,kutanga kwakaita zvikwambo zvaBrian
,kusvikira pakurohwa nekudzingiwa kwaakaitiwa
pamba naBrian, ndobva avaudza kuzonhongewa
kwaakaitiwa musango naMai Ticha, Rutendo akaudza
vabereki zvese, kusvikira pakuzonyengwa kwaakaitiwa
naVincent ,kudanana kwavakaita ,akataura zvese
nehumhondi waBrian, apedza ipapo ndobva ati* mai
vangu naBaba vangu ,murume wamukuona uyu
agere paside pangu ndiye Vincent wacho, ndiye
akabva apodza marwadzo andakapihwa naBrian,
Vincent akabva atora moyo wangu, so pliz Vabereki
vangu accept Vincent as your son,.. Nguva iyi Baba
Rutendo vanoita hasha nechick ndobva vasumuka
ndokutanga kupopotera Vincent vachiti* iwe mupfana
wanga uchinyepedzera kuti senga nemota yako. Iwe
uchiziva kuti iwe naBrian mukuita tsika yekuchinjana
kurara nemwana wangu, muchimuita chituta chenyu
,kana Brian akadumper mwana wangu kureva kuti
newe ndiyo mission yako, asi munoona Rutendo
seplay ground yenyu, kana maifunga Rutendo
inherera marwesva, Baba vake ndiripano, pliz young
man get out of my house now and never come back
again... Nguva iyi Vincent anotanga kubuda misodzi
ndobva ati* thank you baba ndapanzwa, asi
ndinoshuvawo dai ndaivawo nevabereki ndaiwana
wekuchemerawo, zvisinei Mwari ndivo vanoziva
,Rutendo mudiwa don't worry uchawana hako umwe
arinani,.. Vincent anobva atendeuka ndokutanga
kufamba achibuda door misodzi ichiyerera,.. Rutendo
paanoona Vincent akubuda door ,anobva asumuka
ndokubva abata ruoko rwaVincent ndobva ati* mama
naBaba muri vabereki vangu uye ndokutererai
zvikuru ,asi Vincent uyu wamukuona mwana
wamwari ,inherera inerudo, kubva zvandakatanga
kudanana naVincent haasati amborara neni kana
kumbondituka chaiko, zvese zvamukufungira
hazvisirizvo baba, asi kana mati hamudi Vincent
kureva kuti neni hamundidi bcz I can't survive without
Vincent, saka kana musingadi Vincent pano ,neniwo
ndinobvawo pano ndoenda kwandoyenda and
handife ndakadzoka pano futi ,saka taurai Final
answer kana ndichiyenda ndogara ndayenda zvangu,
mosara mega... Baba Rutendo vanobva vati...
END OF CHAPTER 32

----------------------------------------------------------------------------------------

RUTENDO
CHAPTER 33
STORY BY SIMON PHIRI
+263771643631
BABA RUTENDO VANOBVA VATI* saka Rutendo
ukureva kuti ukupikira kuramwa vabereki vaka
kuzvara nekuda kwemurume here? Kasi ukufunga kuti
ndikufara nezvawakaitiwa naBrian here? How do you
knw maybe Vincent wacho iyeye achangokuita same
thing okusiya.
(Rutendo)* Baba ndinokudai ,uye ndino kutererai
chaizvo ,chimbo zvivhunzai kuti sei ndaisada kukudzai
nhamo yandaisangana nayo, inyaya yekuti ndaisada
kuku shungurudzai ndosaka ndakashinga kurarama
nenhamo yangu, asi kana muchiramba Vincent
zvakafanana nekuti kundiuraya, saka kana ndasiyana
naVincent menge makuda kuti ndirarame sei, horaiti
ndoenda hangu kubhawa kunohura nekuti
handisisinawo choice, ndakuudzai kudhara kuti
Vincent haasi type yemunhu wamukufungira, Vincent
inherera inerudo
(BABA Rutendo)* SHUT UP NXXXX..
(Mai Rutendo)* nhai Baba Rutendo chingosiyayi
mwana adanane nemukomana wake, wani atsangura
zvakaitika pakati pake naBrian ,saka hamusi
kuhwirawo mwana wenyu Tsitsi here nehupenyu
hwaakasara achirarama, Dai muri mumwe munhu
michitofara kuti mwana wenyu awanawo
anomupodza marwadzo ake ,instead you should be
fighting with Brian not Vincent the innocent guy, ini
ndamboda kuita hasha Rutendo paataura nyaya
yaVincent, but ndazobatanidza nyaya ndikaona kuti
zvirinani Rutendo atevere moyo wake nekuti nhamo
yaakaona kuna Brian ihombe, saka regai aite zvino
mupodza marwadzo ake, isu totopa mhosva kwatiri
vabereki vacho nekuti tisu takasiya mwana
arimumaoko emhondi, saka isu tisu totofanira
kukumbira Rutendo ruregerero ,neku namata kuna
mwari tichikumbira kuti vapindire pakati paVincent
naRutendo,.. Nguva iyi Mai Rutendo vanobva
vapfugama pasi ndokutanga kuuchira maoko
vachichema, uku vachitaura nemurume wavo vachiti*
pliz Baba Rutendo chibvumai vana vadanane nekuti
hapana anoziva ramangwana ,pamwe Vincent iyeye
ndiye acha zokunyururai mumatope, saka mupeiwo
mukana wekudanana nemwana wenyu plizz
ndauchira murume wangu... Nguva iyi Baba Rutendo
vanotanga kugutsirira musoro ndokuti* ok Vincent
ndakupa mukana wekudanana nemwana wangu, asi
ndokumbirawo usaite zvakaita Brian pliz, Rutendo
akakosha zvikuru kwandiri, saka kana watora mwana
wangu woziva kuti womubata zvakanaka. Unofanira
kuratidza Rutendo the Big different between you and
Brian
(Vincent anotanga kutaura zvinyoro nyoro achiti*
baba naMama maita basa, ndapanzwa hangu, pana
Rutendo ndipo pane mufaro wangu wese ,Rutendo
ndomuda zvikuru Baba, Rutendo ndomuda zvese
nemwana wake, hupenyu hwanda kararama
hunogwadza baba, saka inini handide zvekugwadzisa
munhu, ini hangu handichagari ndakuda kuyenda
kumba, asi Baba naMama mese ndokutendai neRudo
rwenyu,...
(Mai Rutendo)* Vincent mwanangu ,ndazviona
unetsika uye ndazviona unerudo nekuti wada mwana
wangu zvese nemwana wake, Mwari akukomborere
(Vincent)* shuwa mhamha naBaba kana nemiwo
Mwari vave nemi. ,ini handichagari ndakuda kufamba
nekuti kwavira ,
(Mai Rutendo)* saka Rutendo ukuda kuyenda
naVincent kumba kwake here kana kuti ukusara pano
pamba pako
(Rutendo)* ndohwa kuna Vincent kana achida
kuyenda neni ndoyenda nekuti ndiye murume
wangu.,nhai Vincent ukuda tiyende tese kumba kwako
here?
(Vincent)* kwete Rutendo chisara naMama naBaba
pano, toda kuita zvinhu negwara razvo.. Nguva iyi
Rutendo anombundira Vincent ndokuti* Vincent
ufambe zvakanaka hantie ,I love you daddy... Vincent
ano pindurawo ndokuti *I love you too, chisara
naMama zvakanaka ,ndichauya makuseni kuzokuona
pane nyaya yandoda kukuudza,... Vincent apedza
kutaura naRutendo anobva awoneka vabereki
vaRutendo, apedza kuvawoneka anobva apinda
mumota ndokuyenda kumba kwake... Uku Baba
naMai Rutendo vanobva vayendawo mubedroom
mavo kunorara zvavo,.. Rutendo nemwana wake
ndobva vaenda kunorara mubedroom yaRutendo
yaairara kudhara asati awanikwa naBrian...
Rutendo nemwana wake vapinda mumachira,
Rutendo anotarira kuface kwemwana wake ndokubva
atotanga kufunga Brian, sezvo Blessing aiva
akafanana naBaba vake zvikuru, Rutendo mupfungwa
dzake chaaida kuti Blessing akure achiziva kuti Baba
vake ndiBrian pasaite mistake yekuti anga zogume
ofunga kuti baba vake ndiVincent, Nguva iyi Rutendo
ndokuti nhai Mwari gara zviya Brian wacho ari
kumapurisa, apa kwakamirigwa ini naVincent, Umm
saka tichayendako mangwana makuseni tonhohwa
kuti zvakamira sei, asi ndongonamata kuti mutemo
usawomesere Brian, saka mangwana ndichatora
vabereki vangu ndotora naVincent tobva tayenda
kuPolise Station kunohwa nyaya yaBrian kuti irikunzi
kudi ,ummm ko Mai Ticha futi vachati chiii vachiona
ndisina kudzoka kumba kwavo, vachatofunga kuti
hutsinye after all vaka ndichengeta pamba pavo for a
long time vachindibata zvakanaka, pakadaro ini
ndozongobva senge ndikutiza pasina kuvawoneka.
Haaa kana hazviiti shuwa, horaiti Mwari ndinoendako
mangwana ndonovaudza kuti ndadzokera pamba
peva bereki vangu,... ZVISINEI RUTENDO APEDZA
KUFUNGA IZVI ,ANOBVA ANAMATA KUNAMWARI
WAKE KEPIRI, ACHIKUMBIRA KUTI MWARI VAPINDIRE
BRIAN ASAIPIHWE MITONGO INOGWADZA, UYE
ACHINAMATA KUTI VINCENT ARAMBE ANERUDO
NAYE... RUTENDO APEDZA KUNAMATA ANOBVA
AZVIRARIRA HAKE.
*Ava makuseni*
Ko ndeipi yako Mai Pedzi, ko wambohwa nyaya
yamangwana yekuChurch here?... ava ndiMai Last
vaitaura naMai Pedzi, vakadzi ava ndeve kuchurch
yaPastor Mashayamombe .. Zvisinei vakadzi ava
vanoenderera mberi nenyaya yavo..
(Mai Pedzi)* nyaya iya pane asina kuihwa here ,isu
vana Mai Pedzi hapana nyaya inobuda tikasaiziva,
kasi wakangamwa kuti ndisu vakuru vebepa here, ko
ndiudze Pastor vari kuzama kureva kuti chiii ,kana
vachiti mangwana iLast Sunday?
(Mai Last)* umm shamwari nyaya iyoyo ndiyo nyaya
yandafambira kuti timbotsikisa, toziva hedu kuti taka
breaker record remakuhwa muraini, varume vedu
ndobva vatirambidza kutamba tese, but yanhasi iyi
haaisi makuhwa, uku kunozi kuonesana nekuti nyaya
yacho yazara kwese hantie, saka ndiudzewo kuti Last
Sunday zviri kumbozama kumborevei
(Mai Pedzi)* ini ndoona senge pamwe kaPastor kaya
kafunga kuyenda kunze kwenyika kosiya kavhara
church iya, saka pamwe ndosaka kwanzi mangwana
iLAST SUNDAY ,pamwe vakuzama kureva kuti
ndokupera kwekereke.
(Mai Last)* manje kana vadaro vanofanira kusiya
vaisa ini pahuPastor nekuti ndini ndega ndokodzera
kuita Pastor, mundivhotere nekuti huPastor
ndohugona ,uye sekuru vangu vaivawo Pastor.
(Mai Pedzi)* usandinakidze shamwari, ini handina
kuti Pastor varikuyenda kaini, asi ndati ndofungidzira
kuti pamwe, nekuti kwanzi nemaUsher mangwana
iLast Sunday, uyu munhu wese mangwana anofanira
kuuya kuchurch, saka iniwo handizivi kuti vari kuzama
kurevei kana vachiti Last Sunday, pamwe iplan yekuti
munhu wese auye kuchurch chete, uye maUsher
ndambomavhunza nezve Sunday iyi vakati hapanawo
chavakuziva.
(Mai Last)* horaiti hanti mangwana acho anosvika
here, tichanozvionera tega pamhumo sefodya, right
Mai Pedzi ndine imwe nyaya, ko wakahwa here nyaya
yekuti Pastor vakatiziwa nemukadzi,
(Mai Last)*ii iyi iLatest yanga yandijamba ko hanzi
zvaitasei futi naMai Anita
(Mai Pedzi)* shamwari ndikakuudza nyaya iyi
usaudze mumwe munhu nekuti ndakainzwawo saka
isecret yedu., hanzi mukadzi waPastor akatiza nekuti
kana pari paBonde hanzi Pastor havaburuki
zvekumhanya, kwanzi mukadzi akatoona kuti ndingafe
better kutiza
(Mai Last)* kkkkk inga zvakatooma nekungwara
kwavakaita Pastor, umm shamwari chirega ndibike
tea nekuti murume wangu ava paduze kudzoka ,plus
nezuro akataura futi kepiri kuti ndisatambe newe
,saka chiita uyende kumba kwako asati adzoka.
(Mai Pedzi)* arrrr chirega ndiyende nekuti Baba
Pedzi vakatiwo havadi kundiona ndinewe ,saka isu
taonana kuchurch mangwana hantie.
(Mai Last)* iribho asikana chiyendai nekuti
mungajumiwe pano... Mai Pedzi vanobva vawoneka
Bhururu wavo ,ndokudzokera kumba kwavo..
Makuseni aya Rutendo ari kumba kwavo
achangopedza kugeza achigadzirira kuda kuyenda
kwaMai Ticha ,kunovaudza kuti adzokera pavabereki
vake uye neku novatenda pane zvese zvava kamuitira
muhupenyu hwake,. Zvisinei Rutendo achangopedza
kugadzirira zvese, anohwa phone yake ichiringer,..
Rutendo anotarira kuti ndiyani akufona, ndokuona ari
mapurisa aya, zvisinei Rutendo anodavira call iyi
(Rutendo)* hallo Officer
(Officer)* hantie muchiri kundiziva ka, ndini
mupurisa uya aifambisa nyaya yekudzipiwa
kwemurume wenyu, hope muchiri kundiziva kubva
tiri kuhospital
(Rutendo)* ndikukuzivai Officer
(Officer)*ok tanga tichikumbirawo kuti musvike
paPolise station pano nekukurumbidza, nekuti
takakumirirai zuro wese muchiti mukuuya but
hamuna kuuya, isu we are doing it for your best,
nekuti ndini maida kuuraigwa murume not isu, saka
kana makuita senge tokunetsai arrr hameno
tokusiyayi makadaro but next time hatizo gamuchiri
zvichemo zvenyu..
(Rutendo)* horaiti Vamupurisa tipeiwo 2hrs tenge
tasvika ikoko. Nezuro ndakazoita busy nekuti vabereki
vangu vakazouya,
(Officer)* horaiti mokurumidza kuuya bcz mutemo
wedu isu mapurisa unoti munhu anoita 48 hrs
arimucell ozoenda mberi, manje mhondi yenyu iyi
yatodarika mahours acho nekuda kwechinono
chenyu ,saka imi chiuyai izvezvi nemurume wenyu
tiite zvinopera nekuti tine zvakawandawo zvekuita
(Rutendo)* ok vamupurisa chikatai phone zvenyu
ndakuuya... Rutendo apedza kutaura nemupurisa uyu
,anobva aenda musitting room mune vabereki vake
ndokubva ati kuvabereki vake* Mama naBaba
Mapurisa aya aphona hanzi ndiuye kukamba izvezvi,
saka mama regai ndigadzirire ndiyende kukamba
kunohwa nyaya yacho.
(Baba Rutendo)* Rutendo nesuwo toda kuyenda
newe kukamba ikoko ,toda kumbononatso muvhunza
Brian kuti anotitorera payi chaipo, ndoda kuno
muvhunza kuti anozviona sani, why akaita zvinhu
zvonyadzisa zvakadai ,chii chaanga ashaya
chakamutuma kutsvaga zvikwambo nxxx.
(Mai Rutendo)* shuwa Baba Rutendo hatitobudai
tiyende kuKamba kwacho izvezvi,.. Zvisinei Rutendo
nevabereki vake vanobva vabuda mumba ,ndoku
nopinda mumota ndokunanga kuKamba,. Vari
muroad kuyenda kukamba ,Rutendo anobva
asendera Vincent massage achimuudza kuti
vasangane kukamba ,zvisinei massage iyi inobva
yadeliver.
Mama naBaba ndakuunganidzai muri vaviri kudai,
kureva kuti ndine nyaya nemi, nyaya yandoda
kukuudzai ndeyekuti ini ndakawanawo mukadzi
anondida, ini ndanga ndafunga kuti ndirore mukadzi
uyu nekuti ini naye takawirirana paRudo, uye mukadzi
uyu ane pfuma yake kudhara, nyango hama dzake
dzakabudirira dziri mhiri kwemakugwa, saka ini
nemukadzi wangu taka taurirana akati hama dzake
hadzina Basa nepfuma yangu nekuti anoziva kuti ndiri
murombo, iye akati mari haina basa kwaari
chakakosha rudo nekuhwisisana nekunamata mwari,
saka baba namama ini ndanga ndafungawo kuti
mangwana ndonotanga kugara nemukadzi wangu
kumba kwake sezvo takawirirana zuro naye, uye akati
anoda kutanga akuzivayi, hameno kana pane
pandikuresva mundi gadzirisewo ndiri mwana
wenyu... Uyu ndiTanaka aitaura nevabereki vake.
(Baba Tanaka)* nyaya yako yakanaka zvikuru Tanaka
,asi pane pawasirira ipapo haupazive, isu Zvigure
mutemo wedu ndewekuti hatiiti zvekuchata, saka
zvaunoita iwe unoenda wonouya nemukadzi wako
pano, kana wauya naye mobikigwa huku naMai vako
,kana mapedza kudya mukadzi wako anobva aenda
mubedroom onorara mama vako, inini ndoenda
newe musango ndonorara ndichi kudzidzisa
mishonga yekuchengetedza imba yako, uye
ndokudzidzisa zvinhu zvinofanirwa kuitigwa mukadzi
kana makugara mese kuti afare, then kana ave
makuseni iwe nemukadzi wako mobva maenda
zvenyu kumba kwenyu munenge matochata ,ndiwo
maitiro eculture yedu..
(Tanaka)* Baba Maitabasa zvikuru, saka mangwana
ndipo pandichauya naye mukadzi wangu pano toita
sekudaro baba, ndinovimba muchasara zvakanaka
kana ndaenda kunogara nemukadzi wangu
(Mai Tanaka)* Tanaka ndichasara ndichikusuwa, saka
rega ndimbofara newe uchiripo kudai, rega
ndimbouraya Dhadha rangu ndikubikire udyewo
chipfuyo chamai vako kekupedzira ,.
(Tanaka)* ok mama I love you so much
(Mai Tanaka)* i love you too mwanangu, ko chirungu
wakadzidzirepi
(Tanaka)* ndakadzidzisiwa nemukadzi wangu.
(Mai Tanaka)* kkkk ok mwanangu chisara naBaba
vako ipapo, ini ndaku mbonokubikira chikafu
chandakuudza,... Mai Tanaka vanosumuka ndokubva
vayenda kumoto kunobika.. Uku Tanaka naBaba vake
vanosara vachirairana vachifara havo
Vabereki vaRutendo vachisvika kukamba
,vanosvikirana naVincent, zvisinei Baba vaRutendo
vanotyaira mota yavo ndoku noipaker pacar park
yemapurisa ,ndokubva vaburuka mumota umu
nemhuri yavo yese, nguva iyoyo Vincent anobva
apakawo mota yake paside peyaBaba Rutendo,
ndobva aburuka mumota make ndokuenda
pavabereki vaRutendo, achisvika pavari anovakwazisa
vose kusangasinira nemukadzi wake Rutendo..
Rutendo anobva ati* Vincent wakurumidza kusvika
kudayi kasi wanga uchifamba nespeed yendege here
kkkk, .
(Vincent)* ehe Rutendo ndanga ndichifambira mu120
chaimo kuita kaJet chaiko. ko Bhule akarara here,..
(Rutendo)* ehe akarara hausi kukaona kuti kamwana
kako kakaneta nezuva iri kk
(Baba Rutendo)* vanangu hatiitei zvatafambira pano,
remember nyaya hadziperi, nyango kumba mogona
kuzo nodzitaura futi saka nyaya hadziperi, isu
hatipedzei zvatavinga pano,
(Mai Rutendo)* shuwa idzodzo hendei toita
zvatafambira achiri makuseni kudai,... Nguva iyi vese
vanobva vafamba vakananga kuCharge office
yemapurisa, vachisvika muCharge office umu
vanobva vaudziwa neumwe mupurisa kuti vagare
pamaChair,.. Mucharge office umu maiva
nemapurisa matatu kusanganisira nemukuru wavo
Officer in Charge anova iye Morris, zvisinei Vamwe
officer vechikadzi pavanoona face yaRutendo neya
Vincent vanobva vavarangarira sezvo kuHospital
vaiva vese mazuva aya pakaitika chishamiso,. Zvisinei
Officer vechikadzi ava vanobva vati* maita basa
mauya, mese ndabva ndaku rangarirayi zvisinei garai
henyu pamachair ipapo, tinotora mhondi yenyu tiite
zvatoda kuita.. Nguva iyi vaMorris vanotuma kamwe
kamupurisa kunotora Brian mucell, kamupurisa aka
kanoenda kunotora Brian ,pasina chinguva
kamupurisa aka kanodzoka naBrian ndokupinda naye
mucharge office umu,.. Uku Brian anga akakuvara
zvikuru semunhu airohwa everyday, uye anga
akazvimba uku anenjema dzemumaoko nedze
mumakumbo,.. Brian apinda mukati umu anogariswa
pasi, nguva yaanogara pasi anotarira kuleft side
kwake ndokuona BABA naMai Rutendo vakagara
pachair vakamutarisa, Brian anobva avhunduka
ndokurohwa nehana nguva imwe chete, Brian
anofambisa maziso ake ndokuona Rutendo naVincent
vakamira vakamutarisa, Brian anorohwa nehana
ndoku vhunduka achiona Vincent ari mupenyu,..
Nguva iyi panobva pasvika umwe mukadzi
achifambisa ndokupinda mucharge office umu,
mukadzi uyu airatidza kuti anepamuviri but ichiri
doko zvayo,.. mukadzi uyu apinda mucharge office
anobva atarisa munhu aiva akaisiwa njema ndokuona
zvaari Brian ,..mukadzi uyu anobva atarisa mukadzi
aiva akabata mwana ndokuona ko zvaari mukadzi uya
wanda kamborovana naye mutown paya tichigwira
Brian,... Brian anobva atarirawo mukadzi uyu
ndokuona ko zvaari Chipo.. Nguva iyi Chipo anobva a
....
END OF CHAPTER 33

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO
CHAPTER 34
STORY BY SIMON PHIRI
+263771643631
NGUVA IYI CHIPO ANOBVA ATI* Brian thank God
tadhumana pano, uri muroyi wemunhu wahwa ka,
waka vhiringidza hupenyu hwangu unozviziva here.
Zvatogona tasa nganidzana pano, Ende Mwari variko.
Pano ndanga ndauya kuzo kuman'arira nyaya dzako
dzezva wakandiita muhupenyu hwangu, manje
zvanaka ndakuwana iwe wacho uripo paright place at
the right time,." Nguva iyi vaMorris vanotarisa face
yaChipo, vanobva vayeuka zuva riya ravaida
kupfuriwa nepfuti naBrian, vakabva vayeuka paya
Chipo achibata Brian kuti asapfure Morris nepfuti.
VaMorris vakabva vaziva kuti Mukadzi uyu ndiye aka
ndibetsera zuva riya ,zvekuti dai asiriye akabata Brian
,dai kutaura uno ndakatofa kare, saka nhasi neniwo
ndofanirawo kumufadza mukadzi uyu, ndoda
kufambisa nyaya yake nenzira yaano gutsikana
nayo.." VaMorris vanobva vati kuna Chipo* Amai
makadi zvenyu, ndakuzivai ndimi maka mboita Mwari
wangu gore riya, zvisinei tisati taita zvakawanda
,taurai nyaya yenyu Sisi tikubatsirei ndosaka tiripo,..
Nguva iyi maziso aChipo aiva akatsvuka achiratidza
kuti misodzi yachipo yaiva pedyo..," Chipo anobva ati
kuna Morris* Officer Nyaya yandinayo pano inyaya
hombe, ende ikundigwadza zvisingaiti. Pano ndauya
ndichida kurepotera Brian saka zvabva zvanaka
ndawana Brian wacho atori paright place,. Nyaya
yangu ndeyekuti ndaka danana naBrian, nekufamba
kwenguva tikazotanga kugara tese, asi chainetsa
ndechekuti Brian aisarara neni muroom imwechete,
aiita tsika yekurara mumota everyday, saka zvaiitika
ndichirara ndega kudaro, dzimwe nguva ndaimuka
ndisisina bhurugwa remukati ,dzimwe nguva
ndomuka sikarudzi yangu ichikwadza kuratidza kuti
pane zvinenge zvichiita bonde neni but ndisingazive
kuti chii chaiita bonde neni, zvakatora kanguva
zvichingoitika ndakanyarara, but ndakasvika panguva
yekuzoona kuti zvinhu izvi zvakuenderera mberi
manje, ndakabva ndazo yenda kumaporofita
ndikanoudziwa kuti Brian akandirora kuti ndiite
mukadzi wezvikwambo zvake, ndakaratidziwa paGlass
remweya ndikatoona ndichiitiwa Bonde
nechikwambo chechirume uku chikwambo chacho
chine sikarudzi huru, uye ndakaudziwa nemuporofita
kuti pese pandaimuka ndisina bhurugwa remukati,
chikwambo ndicho chaindibvisa chichindiita bonde,,
ndaziva zvese izvi ndakagwadziwa zvikuru, ndakabva
ndatiza pamba paBrian ndikaenda kumukomana
wangu wekuDubai, ndichisvika kudubai ndagara
tumazuva, ndakatanga kurutsa ndikaona kuti nditori
nepamuviri,. Mukomana wangu paakazviva akabva
andidzinga akati dzokera unosiya mimba kumuridzi,
wozodzoka kuno usisina mimba., Saka nezuro
ndichisvika muzimbabwe ndakadarika
nekweMuporofita uya ,ndikamuvhunza pamusoro
pemimba iyi, Muporofita akanamata akavhunza
Mwari pamusoro pemimba iyi, akaudziwa kuti mimba
yandinayo iyi ndeya Brian haisi yechikwambo,,,. Asi
ini handina zuva randiri kuyeuka ndichirara naBrian,
saka zviku ndinetsa kuti mimba iyi yakabata sei? ...Iyi
ndonyaya yangu Vamupurisa, zvese zvandataura apa
ndezve chokwadi, nyango Rutendo kumuvhunza
sezvo aimbova mukadzi waBrian, anokuudzai
zvese..." Nguva iyi Rutendo anobva ati* idzodzo
ishuwa hadzo, zvikwambo zvaBrian zvakaedzawo
kuda kurara neni ,asi zvaka kundikana nekuti ini pese
pandiri panenge pane ngirozi dzaMwari, Brian
nezvikwambo zvake vakayedza kuda kundimisa
kunamata but zvakaramba, ndizvo zvakazoita kuti
zvikwambo zviite kuti ndipondewe naBrian kusvikira
andidzinga pamba pake, asi zvataugwa naChipo
ichokwadi kuti zvikwambo zvaBrian zvairara
nevakadzi vaBrian,.." VaMorris hapana
chakavashamisa panyaya iyi ,nekuti vaiziva kuti Brian
aiva nezvikwambo sezvo Brian yaiva same group nera
mukoma wake Max,.." Morris anobva ati* Brian
hapana chandingade kuhwa pauri nekuti zvese
zvataugwa ndoziva kuti ichokwadi, saka apa takuda
kuita zvinopera tiende newe kuCentaral tazohwa
court yako,. right saka sisi Chipo manga mafunga kuti
pofambiswa sei panyaya yenyu iyi,.." Chipo anotanga
kuyerera misodzi achiti* Brian ndakukuhwira tsitsi
nezvawave izvi, ikozvino ndisati ndakuomesera ndoda
kuti utange wandiudza kuti waka mborara neni here?
uye mimba iyi ndeyako here?.." Brian anobva ati*
hwongu Chipo ndakamborara newe, uchiri kuyeuka
zuva riya tiri mumota tichibva kumariro kwaPastor
,uchiri kuyeuka kuti wakafenda wahwa radio
yemumota ichirira ngoma dzezvigure paya..." Chipo
anobva ati* hwongu ndichiri kupaziva, hanti ndiwo
musi wandakaisa disc renziyo ,iyo radio ndokutanga
kurarira zvigure, uye ndikuyeuka ndichifenda
pandakahwa ngoma dzezvigure dzichirira muradio
yemumota, uye ndiri kuyeuka kuti ndakazongo
pepuka ndamukira mumba mako pasofa,
(Brian)* ehe ndizvo chaizvo , hantie mazuva aya tanga
tichiri mukomana nemusikana ,tanga tisati takugara
tese, saka ndaitya kukumbira bonde nekuti ndaifunga
unoramba, sezvo tanga tisati takugara tese, saka
musi uya pawakafenda ndakabva ndaenda newe
kumba kwangu, ndichisvika kumba ndakakuisa
pasofa ,ndokubva ndatanga kuita Bonde newe
wakafenda kudaro, ndakaita 3 rounds sezvo ndaiva
nezemo guru, uye ndanga ndava nenguva yakareba
ndisina kuona bonde nekuti Chikwambo Peter
aindirambiza kurara naRutendo,. Saka iwo musi uya
ndiwo wandakarara newe, uye hauna kuzviziva kuti
ndakarara newe nekuti waiva wakafenda, time yanda
kazokudira mvura kuti umuke, ndanga ndatopedza
Bonde newe kudhara,.. "Chipo anobva ati ende Brian
wakaoma kundiraper shuwa, asi hangu ndafara
kuziva kuti mimba ndeyako, asi handife ndaka
kuregerera muhupenyu hwangu, asi mwana wako
ndichachengeta kasi ndoda kuku gwadzisawo, ndoda
upihwe mutongo werape case nekuti waka ndibata
chibharo uye wabuda pachena wega, shuwa kundiita
mukadzi wezvikwambo, uchinyepa uchiti hauzivi
Rutendo, Zuva riya mutown uka ndigwisanisa
naRutendo iwe uriwe muroyi nxxx, "Baba Rutendo
vachihwa izvi vakaita hasha ndokubva vapa Brian
zvibhakera zvitatu zvakasimba pashaya" nguva iyi
vaMorris vanobva varambira Baba Rutendo kurova
Brian nekuti mutemo wemukamba hautenderi
izvozvo,
(VaMorris)* musarove munhu baba imhosva iyoyo,
right sisi Chipo tapedza nemi, Brian tamunyorera
rape case panyaya yenyu iyi, ikozvino topinda
kunaVincent naRutendo, chitiudzai zviripamoyo
penyu pamusoro pezvamakaitigwa naBrian, uye
moedza kuti kurumidzei nekuti takuda kutoyenda
naBrian kuCentral izvezvi,.." Rutendo anobva ati*
Baba Blessing murume wangu, ini ndaku regerera
pane zvese zvawa kandiitira muhupenyu hwangu, uye
ndinotenda mwari vakupawo chidzidzo muhupenyu,
ende zvofadza kuziva kuti Bhule ava nemunin'ina ari
mudumbu machipo,. Brian ini hangu handichina
chigumbu newe mudiwa ,asi kwese kwauchange uri
ugare uchiyeuka mashoko angu andaigaro kukuudza
ekuti ruchiva runoparira, dai wakaterera mashoko
aya ungadai nhasi tiri tese, asi zvisinei ndava
naVincent ndiye ava baba vemwana wako, uye
ndichanamata kuti paukuenda kucourt usapihwe
mutongo unogwadza., ini pangu ndapedza hameno
Vincent unoti kudi nezvawakaitigwa naBrian,,"
Vincent anobva ati* zvataugwa nemukadzi wangu
Rutendo mazvihwa mese, Brian ndakuregerera
mukoma wangu, uye Mwari vaku regererewo.."
Nguva iyi Brian anobva ati* thank you Vincent, uye
une lucky kuwana mukadzi akaita saRutendo, ziva kuti
Mwari vanokuda kukupa mudzimai akadai ,mukadzi
uyu akakosha utende Mwari,.. kuvaBereki vaRutendo
ndinokumbirawo ruregerero.., Vincent
ugochengetawo mwana wangu Bhule bcz handizivi
mitongo irimberi uko, pamwe ndokwanisa
kunourayiwa, but pese pandichange ndiri
,ndichanamata kuti mwari vakuwedzere
makomborero nemhuri yako, kuna Chipo ndinoti
ndiregerewo mudiwa, kuvabereki vaRutendo ndinoti
pliz Mama naBaba ndokumburawo ruregerero ."
nguva iyi Vabereki vaRutendo hapana chava
kapindura ,vakabva vabuda muCharge office umu
vakasunga zviso ,ndoku nopinda mumota yavo
ndokugara vakamirira Rutendo,." Officer Morris
vanobva vaudza Rutendo kuti achiyenda hake kumba
sezvo nyaya yapera kutaugwa, uye vakaudza Rutendo
kuti kana aka sununguka anozokwanisa kuuya
kucourt yaBrian Saturday, Rutendo akabva ataura kuti
haakwanise kuuya ,Rutendo naVincent vakabva
vabuda mucharge office umu, ndokunopinda
mumota dzavo ndokuenda kumba kwavo,." Chipo
asara ega anobva asara achitaura nemapurisa
vachipedzisa kuhwisisana nekufambiswa kuchaita
nyaya yaBrian, nyaya yapera kutaugwa Chipo akazo
bvuma hake kuti aizvouya kucourt sezvo Chipo anga
akuhwira Brian tsitsi, Chipo apedza kuhwisisana
nemapurisa anobva abuda ndokuenda kumba
kwavo,, ukuwo mapurisa anosara achipinza Brian
mumota ndokubva vaenda naye kuCenteral,
*Ava Masikati na16:00*
Babe nezuro ndakataura neVabereki vangu
pamusoro penyaya yedu yatikuronga yekugara tese
iyi, ndosaka ndakurumidza kuuya nhasi, ndaitira
tinatso taurirana hedu.. Uyu ndiTanaka aitaura
nemukadzi wake, uku varere zvavo pamubhedha
,Mukadzi akatsamira chest yababa uku kamwana
kakararisiwa paroko rababa. Kachi ngosekerera zvako
(Mai Ticha)* umm kana makavaudza makagona
Daddy ,ko ivo Mdara vakati chii pama kavaudza nyaya
iyi, nekuti mato nonoka daddy, ndatokuda kugara
nemi
(Tanaka)* vakati tofanira kuchata pachivanhu chavo,
saka handizivi kana zvichiita kwauri mukadzi wangu,
bcz tikachata pachivanhu chedu hazvirevi kuti
hauchanamati mwari, aiwa tenge tangochatawo
nenzira iyoyo kufadza vabereki vangu pamwe chete
naMwari nekuti chakakosha kuchata mudiwa
(Mai Ticha)* kkk ok hapana chakaipa Daddy nekuti
ndokudai zvikuru ,saka will do anything for you ,kuti
ndikufadze hanti, ko Mdara vakati tozviita zvarinhi
saka,
(Tanaka)* ndanga ndavaudza kuti nhasi chaiye, saka
manje hameno kana zvichiita tofanira kutoenda
kumba masikati ano, tombonawana nguva
yekutandara navo, then manheru tobatanidziwa
zvopera, makuseni todzoka pano totanga kugara tese
ndobva ndakupa umwe Ticha wechi two, kana kukupa
mababe matwins
(Mai Ticha)* kkkkkk ndibvirei apa Baba imi maka
ngwarisa apa, horaiti hati chigadzirirai tiyende kumba
kwevabereki venyu tinoita zvamataura,... Mai Ticha
vanobva vageza ndokubikira murume wavo, vapedza
kudya vanobva varongedza zvinhu zvavo ,ndokuisa
mumota mavo, ndokukiya dzimba dzavo dzese
,ndokupinda mumota nemurume wavo pamwe
nemwana wavo, ndokubva varova mota vakanaga
kumaplots kwanaTanaka,
Kuchangodoka uku Rutendo ari kumba kwevabereki
vake ,agere zvake mubedroom make achiona tv uku
achingofunga Vincent, Rutendo zvekugara nevabereki
anga asingachadi anga akuda zvekuenda kumurume
wake,. Rutendo anobva afunga kumbofonera mai
Ticha kuti avaudze kuti arikuuya kuzovaona
mangwana Sunday, sezvo kubva zuva riya raakabva
kwaMai Ticha achiti akuenda kuAirport ,haana kuzo
mbobvira adzokera kwaMai Ticha kana kuvafonera
kuti avaudze zvakafamba sei." Rutendo anobva atora
phone yake ndobva afonera Mai Ticha, zvisinei phone
inobva yatanga kuringer.. Pasina chinguva inobva
yadavigwa nevoice rechirume kuti HALLO, Rutendo
akashamisika achihwa voice rechirume nekuti aiziva
Mai Ticha vasina murume uye aiziva vasingaite
zvevarume ,zvisinei Rutendo anobva ati
(Rutendo)* hallo ,ko ndokumbirawo kuvhunza kuti
ndimi ani, ko muridzi wephone aripi, ndokumbirawo
kutaura nemuridzi wephone
(Tanaka)* ndini Tanaka murume waEsther, iyi iphone
yemukadzi wangu, ndimi ani
(Rutendo)* ndini Rutendo arrr, ndiTanaka chaiye
wandoziva here kana kuti?
(Tanaka)* Arrr Mai Bhule makadi ndini Tanaka chaiye
uya wenguva iya, kasi hamuzvizivi kuti ndaka zorora
Mai Ticha?
(Rutendo)* ndikutozviona izvezvi eishh, Thank God
munamato wangu waka hwikwa, ndaigara
ndichinamata kuti sisi vangu vawanewo munhu ane
rudo navo ,ummm Lucky you Tanaka pana Esther
wakapinda machena mfana wangu,.
(Tanaka)* ndototenda imi ,bcz dai pasina imi dai
ndisina kumbozivana naEsther, uye Mai Bhule
ndokutendai nekundiponesa kwamakaita Zuva riya.
(Rutendo)* arrr unofanira kutenda Mwari kwete ini,
ko Esther aripi, ndodawo kutaura naye.... Nguva iyi
Tanaka anobva agamuchidza mukadzi wake phone...
(Mai Ticha)* mhoroi kani asikana ,ko kurova hanzii,
hanti makabva semaitiza kana kumbodzoka
kuzotionawo, ndozvoitiwa here kkkk asikana mudaro
(Rutendo)* iii sister musatsamwa henyu, busy
yandakazo pinda after paya ihombe, but anywhere
now zvava correct, ko ikozvino muripi, ndakusuwai
sisi
(Mai Ticha)* shamwari zvoita Mwari zvoshamisa,
kutaura kuno ndiri kwavamwene vangu,
tirikubatanidziwa zvedu, shaa and I am so happy coz
naTanaka takawirirana and anohwisisa uye ndomuda
as much as he do, mangwana tenge takugara tese coz
tikubatanidziwa nhasi zvakarongeka, shaa in my life
ndaingoda munhu ano ndidawo nemwana wangu
chete
(Rutendo)* ummm zvinoda kutendwa izvi sisi,
ndafara zvikuru sisi, anywhere mova nezuva rakanaka
sisi byee,.. Rutendo anobva adroper phone zvake,...
Akuda kuisa phone yake pasi, nguva iyoyo inobva
yatanga kuringer ,anotarisa paphone yake kuti
ndiyani akufona, ndokuona ari Vincent aiphona,
zvisinei anobva adavira*
(Vincent)* ndyp Babe
(Rutendo)* ndirinani mudiwa, but handisi nani nekuti
ndakuda kugara newe, ndakudawo kurara ndiri
pamusoro pemurume wangu ndichiita basa,
sezvikuitawo vamwe vakadzi mudzimba
(Vincent)* haisi nyaya mudiwa, ndikuuya mangwana
torongana kuti tozviita rinhi hantie, ndine surprise
hombe chaiyo for u
(Rutendo)* ok mudiwa,..." Vaviri ava vanotaurina
zvese zvavaida kuudzana paphone ipapo,.. vakabva
varongana zuva ravo ravaizoita muchato wavo, but
pakutaura kwavo kwese ,Rutendo anga asiri sure
nekuti date ravakawirirana raiva pedyo, saka Rutendo
akaona kuti chichanotsa apa inyaya yekuunganidza
zvinhu zvacho zvemuchato kuti start, Rutendo anga
asingazivi kuti Vincent akaronga Kare, uye Vincent
haana kuudza Rutendo nekuti aida kuita surprise
kumukadzi wake
MANGWANA IZUVA REKUPIDZIRA RAPASTOR
KURARAMA PANYIKA, PASTOR VANODA KUFUMURA
BROTHERS OF DARKNESS, PASTOR AKARONGA
KUFUMURA MASHAVI EDU ATAKABATA, IYE MUTEMO
ANOYIZIVA , APA AKARAMBA KUURAYA MUKADZI
WAKE, SAKA AKATYORA MITEMO YEDU, MANGWANA
ACHI NGOPEDZA KUTAURA MUCHURCH MAKE,
NDODA KUMUURAYA PAMBERI PEVAMWE VAKE
MUCHURCH IMOMO,. NDODA KUUYA NENYAMA
YAKE KUTI MUDYE IMI, NDOSAKA NDAKUDANAI
MAAMBASSADORS KUTI MUUYE KUZODYAWO
NYAMA IYI NENI ,ANOFUNGA KUTI ANGATIZE
ACHIYENDEPI, MANGWANA NDIRO LAST DAY RAKE
REKURARAMA. ava ndimaster vaitaura izvi vari
mumvura ,vaitaura izvi vari pemeeting nemamwe
mamaster maambassador ekuNigeria,. Zvisinei
Umwewo Master wekuNigeria anobva ati* NYAMA
YAPASTOR VAYA NDIYO YATATOVINGA PANO,
TAKAITA 10 HOURS TIRIPASI PEMVURA TICHIBVA
KUNIGERIA, TICHIUYA KUNO TICHIVINGA NYAMA
YAPASTOR IYEYE, SAKA MANGWANA PASTOR
WACHO ANOFANIRA KUFA ,TOTOIDAWO NYAMA
YAKE, KANA TADYA NYAMA IYOYO TODZOKERA
KUNIGERIA TOKUSIRAYI AMWE MASIMBA, ISU TISU
VANAMASTER VENYOKA DZESE,,,,,, chimaster ichi
chinobva chati*MASTER MASTER,.. Zvimwe zvivana
master ndokudavira zvichiti * KWECHU KWECHU
Ava makuseni Pastor Mashayamombe vachimuka,
vanotarira nguva ndokuona nguva dzechurch
dzakwana kare, Pastor vanobva vaburuka
pamubhedha ndokuenda kuno geza ..,uku hana yavo
ichiita kurovera kugotsi, ropa richiita kumhanya
mumuviri wese nekuti vaiziva kuti zvavakuda kuita
zvinourayisa naMaster, but Pastor vanga vazvipira
kuzviita nekuti vanga vaperegwa uye nekuregreter
kuuraya kwavakaita vana vavo, Pastor vakati better
ndife asi kufa ndataura chokwadi kurinani kana
mwari vano ndiregererawo, zvisinei vapedza kugeza
vanobva vapfeka Suite yavo ,.. Vapedza zvese izvi
vanobva vapfugama pasi, ndokutanga kunamata
vachiti* Mwari baba ndakatadza zvikuru asi
ndaisaziva baba, saka zuva ranhasi zvandouya
kwamuri ndokumbirawo mundi tambirewo mondi
regererawo Amen,.. Pastor vapedza kunamata
vanopinda Mumota mavo ,ndokurova road
vakananga kuchurch,." Vachisvika kuchurch vakasvika
vanhu vakazara muchurch kuita masvosve chaiwo ,."
vanhu vanga vatoungana nechekare, nevaya
vasinguyi kuchurch ,zuva iri vakauya" vanhu vaida
kuzvihwira vega kuti last Sunday yacho yakamira
sei,.." Zvisinei Pastor vanoburuka mumota yavo
,ndokubva vafamba ndobva vanomira paya pava
noparidzira vari,. Pastor vamira mberi kwevanhu
kudaro ,vanotarisa muvanhu ndokuona vanhu
vakagara pamachair vakaita kusvinurira maziso uku
vese vakabata mabhaibheri," vanhu vaida kuhwa kuti
nyaya yaPastor ndeyeyi., Pastor vaka tarira muvanhu
kudaro ,vanoona mukadzi wavo arimukati mevanhu
akagara pachair akabata bhaibheri,.. Pastor vanobva
varovera moyo pandombo ,ndokutora microphone
ndoku chitanga kuchitaura nyaya yavo vachiti*
END OF CHAPTER 34

----------------------------------------------------------------------------------------
RUTENDO
CHAPTER 35
STORY BY SIMON PHIRI
+263771643631
PASTOR VANOBVA VAROVERA MOYO PADOMBO
,NDOKUTORA MICROPHONE NDOKU CHITANGA
KUCHITAURA NYAYA YAVO VACHITI* vana vaMwari
mese ndaku unganidzai zuva ranhasi kuti nditaure
nyaya dzangu, pamwe chete nekukupai
chionekedzo,." vanhu vemuchurch vachihwa izvi,
vakabva vanatso vhura nzeve, kuti vahwe zvavanga
vakamirira.," Pastor vanobva vaenderera mberi
nenyaya yavo vachiti* Nyaya yangu iri pakuti zvinhu
zvasvika pakuoma manje, saka ndati better ndisiye
ndashaura ndobva ndaenda kudenga hangu,
muchiona ndimire pandiri pano, ndakamira
samufundisi wenyu ano namata Mwari ,asi hazvisizvo
,ini pandiri pano ndonamata Satan ,mwari wangu
anonzi Master anogara pasi pemvura, nguva yese
ndaiku namatirai ndichishandisa simba raMaster
ivavo, ini pachangu ndiri muroyi, nekuti ndakauraya
vana vangu ,ndikanodya nyama yavo pasi pemvura
neTeam yaMaster," Tsaona yakaitika pavana vetrip
iya ndini ndaka ikonzeresa, ndaida kuuraya vana
venyu vese, asi Mwari vakabva vandirova neshamhu
ndokubva ndazviurayira vangu vana ,vamwe vese
ndokurarama, asi chokwadi chiripo ndechekuti kubva
zuva iroro ,vana vangu vari kupfuka zvipoko," then
svondo rapera iro tiri kugathering yedu yehuroyi,
Master vakati ndofanira kuuraya mukadzi wangu kuti
vana vangu vasamuke zvipoko,. ini ndipo
pandakaramba kuuraya mukadzi wangu nekuti
ndomuda zvikuru." Kubva zuva iri randakaramba
kuuraya mukadzi wangu, ndakatanga
kushungurudziwa naMaster nekuda kwekuti ndaive
ndarambirei kuuraya mukadzi wangu., zuva
rinotevera Master vakandiisa sikarudzi
yemunhukadzi, kutaura kuno chombo chandinacho
mubhurugwa ndeche munhukadzi.," mukadzi wangu
paakaziva zvese izvi, akabva atsamwa ndokunditiza,
asi akasiya anyora tsamba kuti ndipupure zvivi
zvangu zvese pamberi penyu, saka nhasi ndapupura
zvese," asi mofanira kuziva kuti nhasi ndoLast Sunday
yangu panyika, nekuti izvezvi ndirikuhwa smell
yaMaster kuti yava padyo, kutaura kuno vari munzira
kuuya kuzondiuraya nekuda kwekuti ndataurirei izvi,
asi zvirinani kuti ndife nekuti ndasiya ndataurawo
chokwadi pamoyo wangu, uye ini ndoda
kukumbirawo Mwari vandiregererewo nezvivi
zvandakaita panyika, handiziviwo kuti chii changa
chandipindawo kuti ndino Joina group raMaster
resaturnism," kuvana vangu vandakadya nemukadzi
wangu wanda katadzira ndoda kukumbirawo
ruregerero, vanhu vese muri muno pliz
ndokumbirawo ruregerero, zvinhu zvese zvaka
konzegwa nerudo rwemari rwandakaita muhupenyu.
Vanhu musagumbukue henyu nekuti chokwadi
hachiputsi hukama ,muchazowana vamwe Pastor
varinani. Ndoziva kuti magumbuka kwazvo asi
ndiregerereiwo," ikozvino smell yaMaster yava padyo
manje, Kutaura kuno vanenge vasara ne2 minutes
kuti vasvike pano, saka vasati vasvika kudai, ndoda
kuvhunza kuti mandiregererawo here vana vaMwari,"
nguva iyi panobva pasumuka Pedzi, Pedzi uyu
yaitovawo ngobi zvayo, ndiye uya wekumbogadzira
mota yamai Ticha paya payakafa vari muHighway
vachimhanyira kunobata vana kuti vasaende kutrip",
zvisinei Pedzi uyu anobva ati* iwe Pastor iwe hapana
chaunotaura apa, horaiti Master vako ngavauye
kwandiri ndovamamisa home and away, nxxx uri
muroyi wemunhu tazviona manje, waida kuuraya
vana vevabereki haunyari, manje ini ndonzi Pedzi
handina wandotya ,nyango ukavhunza boys reku
magarage rinokuudza kuti Pedzi inhubu, ikozvino
ukutinyepera uchiti Master vakuuya kuzokuuraya
uchinyepa, hapana Master varikuuya apa usanyepere
vanhu, Plan dzako ukuda kuti vhara kuti tikuhwire
tsitsi, manje nhasi ndirimo muno handisi kuita
zvemagroups ende fuuu*" Pedzi asati apedza kutaura
anotanga kuhwa izwi gobvu richibuda nemumadziro
richiseka uku richiita maungira richiti* HA HA HA
NDINI MASTER NDAUYA KUZOURAYA PASTOR,
NDODA NYAMA YANGU, HA HA HA." Nguva iyi
ziMaster rinobva rangotanga kuoneka uku riri
mumhepo, riri mukati mechurch iyi mudenga,"
Vanhu pavakati baaa, vachiona Master wacho zirume
zidema dema rine ziso one, uku kubva pachiuno paro
zvichidzika yaiva nyoka, nyoka huru chaiyo yakareba
40 meters (Anaconda) chaiyo, uku kubva pachiuno
kusvika kumusoro anga ari munhu, mazivhudzi acho
kureba rakaita sere vakadzi vechirungu ,uku nzara
dzacho kureba apa dzaka rodzeka kuita banga
chaiko," vanhu vachiona izvi ,vakabva varova bara
kutiza muchurch umu, kusanganisira naPedzi wacho
haana kuwanika ipapo. Pakangowanika vakasimba
moyo," nguva iyi ziMaster iri rinobva rarebesa maoko
aro, ndokubva rabata huro yaPastor ndokutanga
kuidzipa,." Vamwe mai vechoir vakagwadziwa
vachiona Pastor vachidzipiwa, Mai ava vakabva
vasumuka ndokudeedzera Vachiti* vanhu vese tasara
muno ,tiri vana vaMwari, Pastor vedu havangafe
tiripo, tese ngatisumukei tinamate ,tipise zinyoka iro
neHolly ghost fire, simukai madzimai nana Baba tiite
basa, nekuti pakadai mwari ndipo pavanoda," nguva
iyi Mai Anitha vano sumuka kuratidza kuti vanga
vazvipira kushandisa Simba raMwari,. Vanhu vese
vanga vasara muchurch vanobva vasumuka,
ndokutanga kunamata zvine mutsindo,, nguva iyi
Rutendo naMai Ticha vanobva vasvika wanike ndiyo
nguva yavanofarira, vanobva vaburitsa mabhaibheri
avo, ndobva vajoina kunamata," vanhu vese
vakatanga kumamata zvekunamata zviya, church yese
yaingova,* Holly ghost fire* holly ghost fire*, uku
Rutendo naMai Ticha vachimamata neyavo slogan
kuside,." ZiMaster iri rinobva ratanga kuhwa maoko
aro achirohwa nemagetsi, rinobva ragwadziwa
ndokusiya huro yaPastor, ndokubva raita hasha.,
ziMaster iri rinobva raenda pana Rutendo ,richida
kuuraya Rutendo sezvo Rutendo ariye anga ane
munamato waigwadza, ziMaster iri rasvika pana
Rutendo rinobva ramutarisa, Rutendo paanoona
ZiMaster iri ,anobva atowedzera mutsindo
wekunamata,. ZiMaster iri rinoita hasha rinobva rada
kudzipa Rutendo, parinoti ribate huro yaRutendo
rinobva rarohwa nemheni yaMwari, rinobva rada
kudzipa futi, mheni iya inobva yazouza nemutsindo
ndokurova ziMaster, nguva iyi Master vanobva
vatanga kubvira uku vachiridza mhere ,pasina
chinguva vanobva vasanduka kuita kabepa,,, Rutendo
anotora kapepa aka ,ndokutanga kunamata
akakabata, kapepa aka kanotanga kuridza mhere,
ndokutanga kubvira kusvika kaita madota, kuratidza
kuti Master vanga vauraiwa naAlmighty might God,"
Rutendo anobva aenda pana Pastor ndokuti* Pastor
chimukai henyu Hondo yapera, sikarudzi yenyu
yadzosewa naMwari, ini pano ndanga ndauya
kuzokuzivisayi nezvemuchato wangu, saka zvabva
zvanaka ndasvika nguva chaiyo, Mwari vandiudza kuti
mofanira kuita 3 days muri musango ,muchinamata
Mwari makatsanya, kana mapedza ipapo Mwari
vanobva vakuregererai, vobva vakupai Simba guru
rekuporesa vanhu, moenderera mberi nechurch
yenyu." Nhai Rutendo hauoni kuti iwe unechipo
chekunamata, iwe ndiwe unofanira kuita Pastor
muchurch muno, ava ndiPastor vaitaura izvi."
Rutendo anobva ati* aiwa imi ndimi Pastor nekuti
Chipo munacho, uye Mwari vakuregererai ,asi moita
zvandataura,.." Pastor vanobva vatenderana
naRutendo ndokuwirirana, Rutendo apedza kutaura
zvaaida, akabva asiya akoka vanhu vese kumuchato
wake, akasiya ataura kuti achachatira muchurch umu,
uye achachatisiwa naPastor ava, vanhu vakafara
zvikuru,. Rutendo apedza kutaura izvi, akabva abuda
naSisi vake ndokudzokera kumba kwavo ,Uku Vanhu
vese vemuchurch vanobva varegerera Pastor," Mai
Anitha vakabva vatora murume wavo ,ndokuenda
naye kumba, zvezuva iri church yanga yapera ,vanhu
vanga vamirira Saturday muchato waRutendo, vanhu
vakabva vadzokerawo kudzimba dzavo ," uye zvese
zvanga zvaitika muchurch umu pamawhatsapp
zvanga zvatozara.
Mai Ticha naRutendo vachisvika kumba kwaMai
Ticha, vanobva vaburuka mumota yavo, ndokupinda
mumba ndokunogara pamasofa zvavo, uku
vachikurukura nyaya dzavo, nguva iyi Tanaka anobva
apindawo musitting room achibva kunogeza zvake,
Tanaka anosvika ndokumhoresa Rutendo pamwe
chete nemukadzi wake, apedza kudaro anogarawo
pasofa rimwechete ranga rakagara mudzimai wake,
agara paside pemukadzi wake kudaro anobva aturika
ruoko rwake pabendekete remudzimai wake,
kuratidza Rudo." Nguva iyi Rutendo anobva ati* Baba
Ticha ndadzoka naye mudzimai wenyu, ndozviziva
kuti kana vanhu muchangotanga kugara mese
,menge musingadi kushayana paside, iko kubva
maturika ruoko panaMadam ,aiwa zvofadza kuona
sisi vangu vachidiwa seizvi, dai maramba makadaro
mukoma
(Tanaka)* ichokwadi idzodzo ,sevanhu
vakabatanidziwa nezuro tofanira kudada nekudanana
zvedu, tichitenda Mwari
(Rutendo)* shuwa idzodzo, ini hangu handichagari
,nekuti zvandanga ndichida zvaita, nyaya yandanga
ndanyanyo fambira kuno, inyaya yekuuya
kuzowoneka Sisi vangu zvakanaka, uye nekuvaudza
kuti muchato wangu uriko Saturday, ndichisvika pano
Sisi vati tofanira kunoudzawo vanhu kuchurch
nezvemuchato uyu, manje zvazoitika tichisvika
kuchurch uko zvakaoma, but zvisinei Pastor
varegererwa naMwari havo ,nekuda kwekuti
vatendeuka pachena, ndokupupura zvese zvakaipa
zvavaiita, isu hedu tasvika zvava pakati but taedzawo
nepatogona kukunda Satan, asi nyaya yangu hombe
yandafambira, ndeye kutenda sisi vangu
vakandichengeta kwenguva huru, zvekuti dai vasirivo
paya ,kutaura kuno pamwe dai ndakatofa kare, saka
Sisi dai maramba mune moyo wakadero, kana Mwari
vachawedzera makomborero mumhuri yenyu I PRAY,
(Mai Ticha)* kkkk wani Rutendo wambotenda paya
ndikati its ok, ikozvino wakutenda futi ,usadaro
haufanire kutenda nekuti tese tirivana vaMwari,
tofanira kudanana nekuti hupenyu hwepanyika uhu
kutandara bedzi,
(Tanaka)* shuwa Mai Bhule ,hazvidi kuti moramba
muchingotenda, nekuti isu vamwe tikazotanga
kukutendai nezvamakatiitira muhupenyu ka, kkkkk
(Rutendo)*kkk ok pakanakai Baba naMai Ticha, ini
hangu handichagari ,regai ndiende kumba kwedu
ndimbokusirai mukana wevaviri kkkk,.." Rutendo
apedza kukurukura neHama dzake, anobva ati regai
tisiye tanamata tisati tayenda," Rutendo anobva
atanga kunamata achiti* FATHER GOD WE THANK
YOU FOR YOUR MERCY, MWARI NDAKU NAMATAI
,NDICHIKUMBIRA KUTI MUCHENGETEDZE IMBA INO
YASISI VANGU, MUSAKANGAMWE KUVAITIRA
ZVAKANAKA NGUVA DZOSE, PAMWE CHETE
NEMURUME WAVO AMEN" Rutendo apedza apedza
kunamata anobva abhabhayisa hama dzake, apedza
kudaro ndoku pinda muroad ,ndokuenda kumba
kwavo.
Ava manheru nguva dzichiti 21:00 ," uku Rutendo
achangopedza kutaura naVincent paphone,. Rutendo
anga ari mubedroom make nemwana wake ,uku
Bhule anga ari pamubhedha akatofa nehope zvake,."
Rutendo asati arara anobva atanga anamata
kunaMwari, achikumbira kuti Mwari vamuchengete
husiku uhu, uye achikumbira kuti Brian zvinhu
zvisamuwomere kucourt kwaari kuzoyenda Saturday
,," Rutendo apedza kunamata anobva apinda
mumachira ndokuzvirari hake nemwana wake
Bhule,"
"Nguva dzafamba pava pakati pehusiku uku
MaMaster eku Nigeria aripasi pemvura achichema
umwe wavo ainge aparadziwa naMwari kuchurch,"
vari pakati pekuchema kudaro umwe Master anobva
ati* hey Brothers stop crying ,i got a plan ,i think we
should fight for our Brother, Hazvibetseri kuti tiyende
kuNigeria tichisiya zvinhu zvakadai, our Brother is
dead and we should fight for our Brother,* umwewo
Master anobva ati* that's true we should go and fight
now, if we are done fighting then toyenda hedu
kuNigeria, coz hatingaendi now tichisiya zvinhu
zvakadai, we should fight first ,tofanira kunouraya
kamukadzi kaye kaRutendo, nekuti iko kaya ndiko
kane Simba guru, saka tofanira kutanga kuuraya iko
then tozouraya vanotevera, also tofanira kusiya
tauraya mwana wake, nekuti mwana uya belongs us,
taive takawirirana naBrian kuti mwana uya
aizouraiwa todya nyama yake, sezvatakaita vaPastor,
saka now its the time, hendei kwaRutendo tinoita
zvatawirirana." MaMaster aya ese ari3 anobva abuda
mumvura umu ndokunanga kwaRutendo, uku
vachifambira mumhepo uku dziri nyoka,. Vachisvika
KwaRutendo vanobva vapinda mubedroom
maRutendo nepamadziro, vapinda umu vanobva
varongana kuti vamwe 2 vano sumudza Rutendo
vomuuraya, umwe one obata kaBhule ouraya, uku
Rutendo aitova kuhope, umwe akaronga kuti ndiye
ano sumudza Bhule oyenda naye kuno muuraya pasi
pemvura. Vapedza kurongana ,maMaster 2 aya
anobva ayenda panaRutendo kuti vano musumudza
vamuuraye, nguva yanoda kuti vasumudze Rutendo
vanobva varohwa nemheni yaMwari, vano gwadziwa
ndokubva vatiza ndokudzokera kumvura kuya, umwe
Master anosara ega Mumba umu ,anobva ati better
ndisumudze kaBhule ndiyende kuno kauraya
kumvura,." Nguva yaanoda kubata Bhule, anobva
arohwa nemheni yaMwari, Master ava vanobva
vatizawo ndokutevera vamwe vavo kumvura, vasvika
mumvura vanobva vagara pasi vese vari3
vachichema sezvo vanga vachigwadziwa pavanga
varohwa nemheni." Nguva iyi Panobva pabudikira
Murume anga akapfeka zvichena ,akabata sword uku
aripabhiza chena rinemapapiro, apa murume uyu
anga ane chiyedza pamuviri wake, achiita senge
akasenga zuva," Murume uyu anobva apotsera moto
kumaMaster aya,, mamaster aya anotanga kutsva
nemoto uyu, ndokubva atanga kubvira ,zvinhu zvese
zvana master zvaiva pasi pemvura apa zvakabva
zvabvira kuparara chaiko, mhedzisiro maMaster aya
akatsva dzamara afa ese ari3,, "Murume webhiza uya,
anobva abuda nebhiza rake ndokudzokera kudenga
sezvo anga apedza kutonga kwake,," zuva iri ndiro
zuva rakaparara Brothers of Darkness, munhu wese
aiva akatenga midziyo nemari yanaMaster, akasara
asina chinhu midziyo yaparara, kusanganisira Daniel
nevamwe vake 23, vakasara vava tsuro midziyo yese
yaparara husiku uhu,. Pastor ndivo vega vakaita lucky
nekuti midziyo yavo vaiva vakatenga vega nemari
dzava ibhadharisa vanhu muchurch, vachibira
varombo mari,." Husiku uhu zvese zvinonzi zveropa
raMaster zvakaparara, Mwari vakaita Simba ravo,
hapana chakasara zvese zvakaparadziwa ,Mamaster
ese akafa ,ndokupera kwakaita Brothers of Darkness
*Zuva Rotevera*
Pastor vakaenda kusango vari Vega vakanoita zvava
kaudziwa naRutendo," Pastor vakanogara 3 days vari
musango vachinamata Mwari neku kumbira
ruregerero pane zvivi zvavo zvese," Pastor vakabva
vadzosegwa Chipo chavo naMwari, vakadzosegwa
Chipo chavo chekunamatira vanhu vachipora, Pastor
pava kapedza 3 days dzavo ,vakabva vadzokera
kumba kwavo, kubva zuva iri Pastor vakabva vachinja,
vanga vava munhu kwaye, Church yavo vakatanga
kuifambisa nemazvo pasina kubira vanhu mari ,uye
pasina kana kushandisa simba ramaster, Zvinhu
zvese zvanga zvakuitika nekubata kwaMwari,.." Pastor
vakazotanga kurarama normal life yavo nemukadzi
wavo after vatendeuka,.
*Friday manheru** Pastor varere Mumba mavo
nemukadzi wavo ,vachangopedza kufadzana
paBonde," Pastor nemudzimai wavo varere kudaro
vanohwa mavoice maviri evana achitaura ari padoor
achiti* baba naMama chimukai tauya*, Nguva iyi
Pastor nemudzimai wavo vanomuka ,ndokusumudza
misoro ndokutarisa padoor paya kuti vaone
ndivanani varikutaura, pavanotarisa padoor vanoona
ANITA NA ASHANTI vakamira padoor vakabatana
maoko, uku vakapfeka madress machena akanaka
akafanana,. Nguva iyi Mai Anita vachiona vana vavo,
vanobva vafara ndokuti* Anita naAshanti ndakusuwai
vana vangu, sei muchimbotora nguva refu musina
kuuya kuzoona mama venyu naBaba venyu," Anita
naAshati vanobva vati* mama tauya wani, asi nhasi
ndipo pama pedzisira kutiona nekuti isu takuenda
kudenga kunaMwari, asi tafara nekuti Baba
makatendeuka muka taura chokwadi, kutaura
chokwadi kwamaita ndiko kwasunungura mweya
yedu, Mwari vaka kuregererai, vamwe vana vasikana
vaviri vamuchaita mugovapa mazita ekuti Anitha
naAshanti, bye bye Mama naBaba mova nehupenyu
hwakanaka, tichazoona kudenga ,we love you byeee,"
nguva iyi Anitha naAshanti vanobva vanyangarika,.
Pastor nemukadzi wavo vanotarisana ,ndoku
nyemwererana ndokubva vakisana ,ndokubva
vazvirarira havo.
Ava Makuseni na10:00am ,zuva iri ranga riri Saturday
,ndiro zuva remuchato waRutendo naVincent uye
ndiro zuva recourt yaBrian." Rutendo nevabereki
vake vese vakageza vakagadzirira zvemuchato ,"apa
Emma aiva apedza Basa rake kudhara, anga
akagadzira iya inonzi Standard of Standards,
zveshuwa mari yakanaka bcz zvinhu izvi zvanga
zvakarongeka mhani,." Emma akauya aka dresser
Rutendo ,.mayouth emasteps vakapihwa MaSuite
akanaka chekuti pano aiva ari edark Blue, kuzoti
yacho yanga yakapfekwa naVincent haitauriki," zvinhu
zvanga zvakarongeka mhani, uku Anna ndiye aiva
Best Girl ,vana Tanaka vaiva kuHigh Table vakanyura
mumasuite eblack uchavaziva here," pamuchato uyu
panga pane vanhu sevanhu kwete zvekutamba, kana
dziri mota dzaiva apa hatitauri ,mapurisa ese aya
aivapo pamuchato uyu, nanaMorris ,Mai Pedzi, Mai
Last, Mai Tanaka, Anna, maNurse aya, naMirriam uya
wekuEconet aivapo, panga pakazara pamuchato uyu,
ende chikafu yaiva sarura wude, nekuwanda kwanga
kwakaita vanhu so, but chikafu chakatodyiwa vanhu
vakachikonewa ,vamwe vakatoguma vosenga voenda
nacho kudzimba kwavo," muchato uyu wakaitigwa
dzvimbo nhatu, wakatangira pamba pana Rutendo,
ukazoyenda kwaVincent ,ukazo perera kuchurch ,,
wakaitigwa kuchurch yaPastor ,ende vanhu vaifara
paisadaniwa anonzwa kanhi,. Kana ari mapresent
akabvisiwa apa hatauriki, vamwe vakabvisa property
dzemhando yepamusoro, Baba Rutendo vakabvisa
mota , Pastor nemukadzi wavo vakabvisawo $2000,.
Muchato wakarohwa ende uyu ndiwo wakazoita Best
wedding ever yaRutendo.
Vana Pedzi vaivapowo futi uku vachidhakwa
zvekusvika pakukangamwa mazita avo, because
hapana changa chisipo, muchato uyu wakazohwina
price ye(best wedding of the year),.. Zvisinei Muchato
warohwa kudaro," nguva dzekupedza muchato
dzakwana, vanhu vaka zodzokera kudzimba dzavo
sezvo muchato wanga wapera,, "Vincent na Rutendo
ndiro zuva ravakatanga kugara vese iri,.." Zvisinei
Muchato wapera zvese zvapera, Rutendo akabva
aburuka mumaoko evabereki , anga atova kumurume
wake Vincent,.", husiku uhu muchato wapera
Rutendo arikumba kwake nemurume wake
vachirongedza mumba mavo, munongoziva musi
wamachata hamurari zvekumhanya," Rutendo ari
pakati pekurongedza zvinhu Mumba make phone
yake yotanga kuringer.., Rutendo anotarisa kuti
ndiyani akufona ,ndokuona iri new number, zvisinei
Rutendo anobva adavira ,ndokuhwa munhu wacho
anga afona aitochema, achiratidza kuti mukadzi
(Rutendo)* hallo ko ndiyani uyu, ko muri kuchemei
(Chipo)* hesi ndini Chipo
(Rutendo)* hesi Chipo urisei, ko ukuchemei?
(Chipo)* but musadaro shuwa, nyango Brian aka
kutadzirai ,mungabva matadza kuuya kucourt kwake
shuwa, Rutendo usadaro Brian aimbova murume
wako usaita moyo wakadaro
(Rutendo)* sorry hako ,but ndava pasi pemitemo
yeumwe murume, saka handingoiti kuda kwangu,
ndicha kumbira ruregerero kunaMwari hangu, ko
kucourt kwacho kwanzi chii?
(Chipo)* Brian apihwa mutongo wekuti anofanira
kuhen'ewa, date rake musi wa2 ndipo pavari
kumuuraya, saka ndangoti ndikuudzewo, moyo
wangu wagwadza nekuti ndini ndasara ndiri
chirikadzi zvisinei, byyeeee, Chipo anobva adroper
phone**" Rutendo akagwadziwa zvikuru nenyaya
yesarudzo iyi yanga yabuda kucourt, but akabva
azvishingisa achiti* Bhaibheri rinoti mubairo wezvivi
rufu, saka pamwe ndizvo zvazviri " Rutendo akabva
audza Vincent nyaya iyi, but Vincent aka simbisa
Rutendo achiti hapana zvino mboitika,* Zvisinei
Rutendo akabva aenderera mberi nekurongedza
mumba make," vapedza zvese zvemumba Rutendo
akabva atanga kunamata kunaMwari achiti* Mwari
baba zvese zvaitika ndozvigachira nekuti zvese
zvamaronga ndino gashira, uye ndoda kukutendai
nemuchato wamatipa zuva ranhasi, asi
ndokumbirawo musakangamwe Chipo Baba Amen,*"
apedza kunamata anobva aenda mubedroom
kunorara nemurume wake, husiku uhu vaviri ava
havana kurara ,nekuti husiku hwese vaiita Bonde
guru ,vachifadzana naVincent pazvese, sezvo vanhu
ava vaiva vabva kure vakamirira nguva iyi, plus
Vincent zvakanyanyo kumufadza paaiita bonde
naRutendo ndezvekuti Rutendo aitoita semhandara
nekuti akanga ava nenguva refu asinga zive
murume,"
nekufamba kwenguva Brian aka zohen'ewa, ndokufa
kwaakaita nekuti mhosva dzake dzekuda kuuraya
dzaiva dzawandisa, saka vaka zomuhen'a" kuurawa
kwaBrian kwakagwadza Rutendo zvikuru kuti Bhule
aizokura asina Baba asi zvese aka zozvipira
kunaMwari akati Vincent ndiye achava Baba
vaBhule." Nguva ichifamba Rutendo akatanga kugara
naAnna achimutora semunin'ina wake ,ndokubva
azotsvaga mumwe musikana webasa, Rutendo
akazoita mimba yaVincent, akazopona mwana
musikana akamupa zita rekuti Esther, hupenyu
hwaRutendo hwakazonakidza ever after." Uku Chipo
akabva ango zvigamuchira kuti Brian hapachina,
mimba yaChipo yakazokura, akazobereka mwana
mukomana ndobva amupa Zita rekuti Young Brian,."
Zuva rakaberekwa young Brian, Chipo akati ari
michipatara pari pakati pehusiku akarara
pamubhedha yemuchipatara sezvo anga ari
muzvere," akarara kudaro akaona mumvuri
wechipoko paside pake, Chipo akabva atarisa
mumvuri iwowo ,akaona mumvuri uya uchisanduka
kuita Brian, kureva kuti ndiBrian anga auya Chipoko,"
nguva iyi Brian anobva atanga kuchema aka tarisa
Chipo ndokubva ati* Chipo ndiregerewo mudiwa,
kunyango zvangu ndakaurayiwa but ndicharamba
ndiri pauri, ugochengetawo mwana wangu young
Brian, uye ndichapota ndichiuya kuzokuona, Chipo
ndokutenda nekuchengeta mimba yangu, usachema
Mwari vachakupa mumwe murume, asi panguva ino
ndisati ndayenda ndoda kuvhunza kuti
wandiregererawo here,?" Chipo anobva ati* its ok
Brian ,ndaku regerera ndichachengeta mwana wako
kusvika akura, ufambe zvakanaka." Nguva iyi Brian
anobva abata dama remwana wake, ndokubva akisa
Chipo ,paanopedza kukisa Chipo anobva
anyangarika,. Chipo akabva atanga kuyerera misodzi
sezvo Brian anga ayenda..
*Chipo akazowana basa, akachengeta mwana wake
,kusvika ava Jaya
END OF RUTENDO
STORY BY SIMON PHIRI

You might also like