Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 2

PROGRESS PRIMARY SCHOOL

ChiShona Paper 2

Grade five (5)

Time 1 hour

Zita: ____________________________________

Class: ___________________________________
Grade 5 Shona Paper 2
Sarudza musoro mumwe chete wonyora rondedzero kana tsamba.
1. Nyora tsamba kune hamayaki uchikumbira mari yekuendesa kutiripi kuNyanga.
2. Nyora tsamba kushamwari yako uchiikoka kumabiko ebhavadi rako.
3. Nyora rondedzero yezuva rausingambokanganwi.
4. Nyora rondedzero yemunhu akakoshesa mumhuri yenyu.
5. Rondedzera muchato wawakaona.

Chikamu chechipiri: Nzwisiso


Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo yose neChishona chakanaka.
VaGutu vakabata jongwe muromo vakange kwaHwachucha. Vainge vanzwa
runyerekupe rwokuti Hwachucha ainge abika doro renhimbe zuva rakanga
rapfuura. Zvekuti doro raiva rekusakura tseu yenzungu vainge vasinei nazvo.
Chaidiwa nemurume uyu idoro kupinda zvose.

Chakanga chabaya chikatyokera. Akangaorarama nehari yedoro pamhuno


nemukanwa make. Murume uyu haana kutya rima raiveko Nokuti aiti kana askvika
panyaya yedoro aiita seanenge asvikirwa. Kwechinguvana VaGutu akaroverera
pamusha paHwachuchu. Akaona musha wose wakati zii Nokuti vainge
vachakarovera matama pasi.
Pindura mibvunzo inotevera uchishandisa zvirevo zvizere.
1. Ndiani akanga abika doro?
2. Sei VaGutu vakamukira kwaHwachucha?
3. Munda unorimirwa nzungu unonzi chii?
4. VaGutu vakange vava kurarama nei?
5. Doro rainge eabikirwei?
6. VaGutu vakasvika nguvai kwaHwachucha?
7. Nyora dimikira riri mundima rinoreva kuti vanhu vakange vachakarara.
8. Chirimwa chipi chaidai kusakurwa?
9. ‘Nechinguwana VaGutu vakaroverera pamusha paHwachucha, ‘Izvi zvinorevei
10.Nyaudzosingwi iri mundima inoreva kunyarara ndeipi?

You might also like