Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 1

CHAITEMURA CHAVE KUSEVA

Pandakati pindikiti kubuda panze kubva munhanga mandairara ndakamuona mukomana uya
wekunyaudza .Ndakabva ndaneta kuti rukutu nekuti aiti kana auya aisaenda zvekukurumidza . Zita
rake ainzi Tongai ndiye aiva jinda guru raMambo Chigudu .Nechaaivavarira ndaichishaya pandiri
achisiya vasikana vekumuzinda vakasikwa Musiki achine nguva .Tongai aive mukomana akasimba
zvisiri zvekufungidzira , aive rume pane vamwe varume aigara ane zvombo zvake zvehondo nezve
kuvhimisa. Amai vake vaiva vasina nhamo yeusavi vaigara vachidya nyama mhando nemhando
sezvo mwana wavo aiva muvhimi chaiye. Shona yevakuru iya yekuti hanzi sango rinopa waneta kuna
Tongai hazvaishanda, pese paapindira musango aitodzoka nemhuka chete kunyanya mhembwe.

You might also like