Professional Documents
Culture Documents
Garai Mudzimba
Garai Mudzimba
Bhasopo yakavudzwa usina meso, iwe meso dzvutu chiri mumusakasaka chisingazvihwiri
Inoputire shoka nokudarika mabvi haunei nayo unomirira imbunde hudyu, nokukodzve
chirebvu tevere magoxhwe namagwiriri
Mhoro dununu vhiri redanda, zvishoma-zvishoma uchin’yura hautirimuki, hautyi hauna
nevhundu uri nhiriri
VeChiNdevere vakati ‘hindava’ shumo vashaiwa - uri garakara chati homu chareva
hauchevukiri
Kukundwa here nedhanana rakahi chera mwena kunovuye vivi rikachera! Bodo bodo
korona yakavuya garai mudzimba!
Dzvin’yu chairo wani harizambi mushana kure nebako nemivo hama garai mudzimba
Benzi rinoimba ndikwaro wani kukunda rinomanya nebani vehama garai mudzimba
Rinorema detenu ndorine mhunzi, nyangodya zvokupara shunyidzanai garai mudzimba
Nheve inorema yosvika hakuna vusiku vusingaidzi, seri kwezhara maguta garai
mudzimba
Vane dzimba navasina dzimba garai mudzimba, hakuna nenji risina kumusha, ichainda
korona garai mudzimba
A.D.N.O.S