Professional Documents
Culture Documents
Shona
Shona
● *Chimutsamapfiwa* mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya kuzoroorwa nemurume
akafirwa.
● Kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi *nduma* sechiratidzo cherudo
rwavo.
● *Nyachide* mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti pachipari.
● *Gupuro* imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi mukadzi wake.
● *Chekaukama* imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida kuroora
musikana waane ukama naye.
● Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi *sadombo.*
● *Barika* kana kuti *guru* musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete, panguva
imwe chete.
● *Charavanda* mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza kusvusvura.
Hwai - shere
Gava - hambwana
Inda - rakadzi
Kamba - shasha
Garwe - ganyamatope
Tsuro - nhowa
Shumba - handa
Rwaivhi - mandishaya
Hove - rereza
Katsi - chidharimbo
Shoko - maidei/shokorana
Mbira - chiduwa
Njiri - chinjerete
Mvuu - handachibvuwa
Bimha - tsvana
Mbeva - manditeya
Nyuchi - zana
Datya - zunguzurwa/buruvuru
Nzou - mhuru
Huku - nhiyo
Gudo - rushiye
Munhu - rusvava.
2. Aguta haaoneki
25. Chakatairi pasi ndechevanhu vose asi chiri mumuti ndechowagona kukwira
85. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana iro rokwehwa roti mavara angu azare’vhu
109. Heya baravara ndiwo magariro kutuka mwene wechisvo ndiwo mano
213. Munhu kufamba kunenge kukavira nyimo, kutizira kuchinge kudyara nzungu, kucheuka kukange
kutsindire’shwa
376. Vari kuno vanoshura vanoviga nherera mhenyu vachisiya muzvari afa

417.Zviuya hazvivanani