Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 4

PRIMARY CORRESPONDENCE SCHOOL

BZUNZO YEKUPERA KWEGORE 2021


GRADE 4 : SHONA PAPER 1
NGUVA :MAAWA MAVIRI

PINDURA MIBVUNZO YOSE


VERENGA NYAYA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO

Mutonhora akanzwa kuti tywakata. Ipapo akabva aziva kuti nguva yaaiva akamira
yakanga yasvika. Akanyatsotarisa nokuti hwaiva husika asi akava nechokwadi kuti
chinhu chaakaona raiva bere. Hana yake yakarova apo akayeuka kuti akanga auya
asina pfumo. Pakarova hana yake gumbeze rakabva radonha. Bere parakaona
gumbeze rakaombera rikati mudzimu yanditungamira yandipa gumbeze. Mutonhora
akanga oti kutonhorwa akati kutya. Akabva anyanya kubvunda mutsango ukabva
wadonha.

1. Ndiani munhu ari kutaurwa nezvake munyaya?


A) Ndini B) Mutonhora C) Gumbeze D) Mutsago

2. Nyaya iyi iri kuitika nguvai


A) mangwanani B) Masikati C) Rorereka D) Usiku

3. Ipa izwi rinoreva zvimwe nerinoti kubvunda


A) Kumhanya B) Kugara C) Kufara D) Kudedera

4. Mutonhora akayeuka kuti akanga auya asina chii?


A) Badza B) Pfumo C) Banga D) Sanhu

5. Chii chakadonha pechipiri?


A) Mutsago B) Bere C) Gumbeze D) Ziso

SARUDZA IZWI RINOREVA ZVIMWE CHETE NEROKUTANGA

6. Dede A) dombo B) bveni C) shiri D) derere

7. Magwere A) zviyo B) nyimo C) nzungu D) chibage

8. Mukadzi akafirwa nomurume anonzi


A) chirikadzi B) mvana C) mhandara D) mufirwa

9. Vana vanozvarwa vari vaviri zuva iroro vanonzi


A) vacheche B) vana C) mapatya D) tusvava

1
10. Hari inobikirwa muriwo inonzi
A) gate B) chirongo C) hamiro D) hadyana

11. Tinokuya ne ______ paguyo.


A) huyo B) dombo C) guru D) guyo

VERENGA NYAYA IYI UGOPINDURA MIBVUNZO

Pavakasvika pamba pavo, Mai Nyandoro vakagara paibwe raiva pagedhi guru.
Vakatarisa chaimbova chidziro chemba yavo chatsemuka tsemuka, uye chasviba
nechiutsi. Vakasimuka vakafamba mukati memarasha nemadota ezvaimbova
midziyo yavo. Vakafamba nemba yose vachibata hurangwanda semunhu aifamba
nzvimbo yaasati ambofamba. Vakamira mumba yavaimborara. Vakarangarira
makore makumi maviri apfuura apo vakatenga imba yavo. Vakaisa maoko kumese
vakatanga kubongomora sekwafiwa.

12. Ndiyani akabongomora munyaya?


A) Baba Nyadoro B) Mai Nyadoro
C) Hapana D) Mai naBabaNyadoro

13. Sekutaura kwenyaya imba yakanga yaparadzwa ne


A) mbavha B) chivhuramabwe C) moto D) makonzo

14. Pavakasvika pam,ba Mai Nyandoro vakagara pa______________


A) chigaro B) danda C) jire D) ibwe

15. Mai Nyandoro vakanga vave nemakoro mangani vahigara pamba apa
A)gumi B) makumimaviri C) makumi mana D) mashanu

SARUDZA IZWI RINOPESANA NEROKUTANGA

16. Jaya A)harahwa B) mucheche C) mhandara D) chembere

17. Pedyo A)kure B)kumusoro C)pasi D)parutivi

SARUDZA IZWI RINOKODZERA KUZADZISA

18. Mwana wenzou anonzi________.


A) handa B) kanzou C) mwana D) mhuru

19. Mwana weshiri anonzi _______.


A) kashiri B) nhiyo C) nyana D) mwana

20. Hanzvadzi yababa ndinoiti_______.


A) maiguru B) tete C) ambuya D) mai

21. Mukoma wababa ndinomuti________.


A) babamukuru B) sekuru C) babamudiki D) tezvara

2
22. Shasha yokuumba hari inonzi_____.
A) hombarume B) hurudza C) mhizha D) murimi

23. Munhu anobatsira vakadzi vari kusungunuka anonzi ___________.


A) Mudzidzisi B) hurudza C) mhizha D) nyamukuta

24. Chibage chakabikwa chakasanga nenyemba chinonzi_____.


A) mutakura B) chibage C)magwere D) mangai

25. Sadza rakabikwa risina kuibva zvakanaka rinonzi________.


A) mbodza B) munya C) masvusvu D) mbwizhu

26. Mombe hadzi yakambobereka inonzi______


A) jongosi B) tsiru C) dhonza D) mhou

27. Chidanda chinoiswa pamutsipa wemombe kana dzichibopwa chinonzi______.


A) chitorobho B) joki C) danda D) gejo

28. Nzvimbo inorara makudo inonzi________.


A) chiro B) danga C) mukoko D) dendere

VERENGA NYAYA UGOPINDURA MIBVUNZO

Nyika yedu yeZimbabwe yakakomborerwa zvikuru. Tinevhu trakakora chose uye


masango anoe mhuka neshiri zhinji chose. Nzizi nemadhamu edu azere nehove.
Nyika yedu ine nzvimbo zhinji dzinoshanyirwa dzakaita seChinhoyi Caves, Kariba
Dam, neVictoria Falls. Nzvimbo dzine mhuka isharuraude, kunoti Gonarezhou,
Hwange National Park nedzimwewo dzakasiyana-siyana.

29. Nyika yedu inzonzi?


A) Kariba B) Victoria Falls C) Zimbabwe D) Chinhoyi

30. Chi chakakora munyaya


A. mhuka B) ivhu C) nyika D) shiri

31. Ndeipi nzvimbo inowanikwa mhuka yataurwa munyaya pane idzi?


A) Chinhoyi Caves B) Gonarezhou C) Kariba Dam D) Zimbawe

32. Doma nzvimbo imwe yanzi inoshanyirwa munyaya


A) Gweru B) Chinhoyi Caves C) Kadoma D) Mutare

33. Kubva munyaya nderipi inzwi rinopikisana neshoma?


A) zhinji B) pfupi C) refu D) nhete

Sarudza izwi rakakodzera kuzadzisa mitsetse inotevera

34. Munhu ane meso meso ane


A) rudo B) utsinye C) ruchiva D) mari

3
35. Munhu anoba tinoti ane
A) chioko B) tsiyenyoro C) ruoko D) mauta

36) Nzou hairemerwi ne_________dzayo.


A) nzeve B) nyanga C) tsoka D) mvere

37. __________haipone murutsva kavari.


A) Nzou B) Mhembwe C) Huku D) Tsuro

38. Tukuku twaidyiwa negondo


A) avo B) iro C) imi D) icho

39. Panosangana nzira panonzi


A) pamharadzano B) pamusha C) padongo D) pamasangano

SARUDZA CHIREVO CAHAKANYORWA ZVAKANAKA

40.
A. Sekuru kahari vakaenda Gweru.
B. Sekuru Kahari vakaenda Gweru.
C. SekuruKahari vakendagweru.
D. sekuru Kahari vakaenda Gweru.

You might also like