Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 227

[11/10, 10:57] Mashumba: On Sale

My promise to you

Story by Cee
Chapter 15

LAURA

Ndakaenda kumba road yese ndichingochema ndichifunga ,ndaiti ndikafunga baba vangu misodzi
yototanga kuyerera,nedzidziso yese yavaindipa ndongoita mwana sure ndisina kana kuroorwa,"
ko ivo amai vangu vandainyepera kuti ndiri virgin ,"

Maiwe kani ndodiiko handizvo zvandaitarisira muupenyu hwangu,ndaidawo kupedza degree rangu
ndozoroorwawo ndochata zvinoita vamwe wana kwete kutizira kana kumitiswa .

" Sure vabereki vangu vakazvingwa kuti ndine nhumbu vanodiuraya chaiko ndikafa ndakaenda
kuma kuva chaiko,amai kani dai ndakangokuteererai kani izvozvi ndisina kana nhumbu.ndakabva
ndavata dumbu rangu riye ndakabata pasi peguvhu ndikanzwa pakaoma kuti ngiiiiii.

Haaah Ethan azondiorora kani gore rino ndodiiko ini ,ndobvisa here nhumbu iyi," aaah ko ndikafa
nhai ndichibviswa nhumbu yacho,izvo zvekubviswa mimba pasi pemiti zvinoitawo here nhai mwari
ndakaiteiko nehupenyu hwangu, chokwadi ndakazvitambisira hupenyu hwangu.

Izvozvi Ethan atorara so akudzipfodora hope ini kuno ndikungofunga nekuti ndini Ka ndine
nhumbu yacho.

Ndakasvika kumba ndakasvukisa maziso ,maziso angu aive atizvimba nekuchema.

Ndakaona mudinning nemulounge musina kana munhu ,ndakangosvika nekuendakuroom kwangu


nekurara ndakatotanga kutorota zvangu .

Ndipo oandakazomutswa namai vangu kuti ndiende kuzodya.

Mom.....ko maziso ako akatsvuka nekuzvimba kudaro kwakanaka ere .....haaah musoro mhamha
ndkwaswera uchindirwarza zvekuti ndazoenda kuclinic yapachikoro ndikapihwa mapiritsi.....okay
my girl saka wava seiko musoro wacho nhai mwanangu."

" Ikozvino haucharwadze mhamha ndapiwa mapills saka chiuya Ka idye,,,,,,handina nzara ini
mhamha ndatibva ndadya ikoko pandapihwa mapiritsi angu......ok mwanangu.
Plus mangwana mhamha ndikumukira kuchikoro ndine work yakawanda yandisina zvangu
kumboita nhas nekuda kwemusoro wange uchiita kubanda chaiko.,,,,,

Okay my gal rara zvako uzorore ndozviziva kuti wakaneta Rega ndiende zvangu kunodya nababa
vako mumba umo.

Momz vakabuda ndakasara zvangu ndichichema ,,,,misodzi yaingoyerera ndichifunga


kuzvitambirisa hupenyu kwandainge ndaita,sure ndiri mufirst year ndoita nhumbu ndisati
ndaroorwa ko ivo anaDelroy vaindiseka chokwadi neteam rese kuchikoro ndaivatiiko,dai
ndakangizvibatawo ndisina kurara naEthan .

Husiku hwese andina kana kurara ndichifunga ndakasotobatwa nehope kwakutoedza better
ndakange ndasetter alarm.

Ndakamukira kuseni seni ndakananga kuUZ kunotora Ethan ndakange ndazvipira zvangu kuti
nhumbu ibviswe nekuti ndaizove chiseko chenyika chaicho kana ndikasabvisa mimba ko ivo
vabereki vangu vaizotiiko.
Ndakasvika Ethan atopedza zvese andimirira.....akasvika achida kundikisser ndikamupishira kure
ukoo....

Ko chiiko newe nhai Laura,,,,,,andina kuuya pano kuzokukisa wanzwa .....sorry zvako Laura.

Ukutinonoka handei ndobvisa nhumbu yacho yausiiri kuda......no Laura nhumbu kuida ndaiida asi
this is not the right time,,,,,,,, Laura ndinokuda shaaah nemoyo wese , ndiwe wega uri mumoyo
mangu umu.

Wadya ere mudiwa....um not hungry Ethan chandikungoda kunonobviswa nhumbu yako
yandinaayo iyi.

Saka andei tikurumidze kudzoka my love.

Takabuda takananga kwambuya vacho ivavo,akatangakuenda neroad yekwaZvimba......asi


munhu vacho ari kumusha kwenyu....yes my love

Laura......saka wakamuziva seiko nhaiwe.....apana asingavazive kumusha kwedu anzi vanogona


zvekuti

Laura...hoooo saka tichapfuura tichiona mai vako ere ,,,,

Aaah Laura kwete nhas ,nhas tomboita zvatafambira Ka......sei usingade kuti ndione Mai vako
Ethan.

Ethan.....ndoda asi this is not the ryt time shaaah....unogara uchingotsvenga tsvenga ndikataura
nyaya yekuona mai vako.

Ethan...handizvo kani Laura ndichauya newe kwacho......haya zvekutaura Ka kuti zvikubve


watopedza sooo.

Ethan.....iyo mimba yako iyi ikuita kuti utaurise kani sorry mudiwa wangu ndichaita plan,,,,,yaah
takitosvika turner left...

Takabva tasvika paye tikaona gogaz vaye varipo,Hana yangu yakabva tatotanga kurova kani......
Gogo titambire vazukuru vangu nhasi matitsika...

Ethan....ehe gogo ndauya nemuzukuru wenyu uyu akuda kubviswa nhumbu..

Gogo....aaaah zvidiki izvo Mari yacho mauya nayo ere vazukuru.....ehe tinayo Gogo.

Zvakanaka vazukuru tomubvisa iwe urimo ere....ehe gogo apana kwandoenda ndichimusiya...

Laura.....ndakabva ndatanga kuchema zvino.

Ethan..... don't worry Laura we are in this together shaaah....okay Ethan please don't leave me um
scared,,,,,,,andimbofe ndakakisiya wega my love

Gogo vakabva vatanga basa ravo weduwe ndakarwadziwa musi iwowo.vakabva vatora umwe
mushonga ndobva vandinwisa futi," mishonga yaivav zvayo iyoyo asi zvaida kushinga ,iko kubvisa
kwavaiita nhumbu yacho ameno chavaipinza kuzasi kwangu uku ndaisanyatsoona zvakanaka
nekuti ndaitwadziwa.

Gogo vakaita basa ravo vakapedza ndakanzi ndimborara," ndakarara paye ndakatizomuka leave
kuma4 chaiko apo simba ndakange ndisina.

Laura...Ethan where are you....ndiripo sweetie ndakuudza wani kuti l will not leave your side
nomatter what....pliz take my hand um in pain... sorry darling atife takazviita futi zvataita nhas izvi.

Ethan...ngatichiendai kumba nguva dzapera,sure kaani asi ini nhasi andisi kumwanisa kudriver.

Ethan...doi worry love wakanganwa ere kuti ndodriver wakandiitisa malessons paye ndikapassa
,nhas unenge wakagara pamother city ndichidriver.....okay honey

Laura..... Ethan ainyatsodriver ake zvinyoro nyoro aisamhanya hake nekuti ndaiita kunonzi
kurwadziwa kwese zvekutamba ,ndaive panguva yakaoma chaiyo .

Ndakazosvika kumba Ethan achidriver akandisiira pagate ndakazongopindza mota ndega mumba
Ruvimbo

Ndakatsatsogaya ndakawana a good plan , apo ndaitopabuda chete come rain ,come thunder.

Ndakazosvika zvangu pakurara ndatova neplan yangu zvangu,,,,,ndakamuka zvangu kuseni seni
ndichiita basa as usual ndichiimbazvangu zvekuti mai vangu vakatishamisikawo...

Hezvo kwakanaka ere kwaunotiitira noise kuseni kuno heee.....kuchiipeiko amai ndikutofara Ka ini
manje manje memane mukwasha Ka ane mari...

Sure mwanangu ndikufara kani kuti hauna kundinyadzisa ndodada newe kani,manje manje
wewamuroora waSabhuku kani......." Tends mwari ndiwe Ka wakasarudzwa
mwanangu...ndinomutenda amai,ndikutomutenda so nekumuimbira kudai Mwari akanaka
kani.....sure amai ndaitotaura zvangu zvekunyepa kuda kufadza amai vangu kuti vaone
sendabvuma ini ndisina zvangu kuitira kuti vasazonyumwe nditsatsoronga tsoro dzangu
vakavarairwa.

Mai Rue....aaah mwana wangu wandigonera manje manje ndinenge ndavakirwawo imba hombe
nemukwau wangu uyu....aaah zvamhamha asikana ndakuenda zvangu kuhuni ini.....endazvako
mwanangu wandifadza kani.
Ndakabuda zvangu ndakananga kuhuni kuye ndichitoseka zvany mumoyo sure mai vangu vaive
vakaoma kuda Mari kusvika pakadaro ere haaah zvakaoma kani

Ndakati ndichifamba zvangu ndiri ngega dhuma dhuma na.....

End of chay 15

Stay tuned
[11/10, 12:49] Mashumba: On Sale

My promise to you
Please don't share

Chapter 16

LAURA
Chokwadi ndarwadziwa nhasi handichazviite futi zvandaita nhasi izvi ,ndatisvipira pasi puuu,zviri
nani kuchengeta mwana wangu pane kuuraya...

Asi chiiko chandabva mukuita ichiii hiii hiii hiii ndiregererewo Mwari ndakutadzirai,my child um very
sorry ndakubvisa usati wambouyawo panyika pasina kana chandawatanda,,,,,, ndaiteiko Mwari we
ndiregererewo wooo,,,,,ndakapinda mumba muye ndri serio zvangu ndikaona vabereki vangu
varimo mumba vese vachitiraira nyaya vachiseka ndakangosvika nekivamhoresa ndichitobuda
paye.

" Ndakabva ndanzwa mhamha vachiti ukaoedza zvauri kuita uuye kuniy,ndikangovati ndouya
mhamha,,

Ndakasvika murooo mangu ndikachema zvaisiririsa ndaingozvipa mhosva yekuti ndauraya mwana
asina mhosva nekuda kwehupenzi hwangu.

Ndakaenda mubathroom ndikageza ndichingochema mumoyo mangu maive makaremerwa kani .


Ndakazoenda kwakanga kunana mhamha asi mumoyo mangu mainge musina mufaro......nhaiwe
mwanangu chii ko ,zvaukuita kunge wakasuwa kwakanaka ere mwanangu..... kwakanaka amai
kungoti musoro wangu hausati wanyatsopora chete.....

Mom....uuum ndakazoenda newe kwaDoc manje nekuti uum unenge ukunyaysorwara mwanangu
handiyo face yako iyi yandinoziva,,,,,,," aah musazvinetse enyu mhamha ndatova nani ini
ndikunwa mapiritsi angu andakapova kuclini kuchikoro....

Dad....haaah sure mwanangu face yako iri pale iyi,Mai mwana zvakaramba zvakadaro mangwana
ka todeedza family doctor wedu tione kuti chii chikunetsa mwana.... Sure bamwana mwana
tinofirwa nemwana takatarisa mangwan chaiye ukafuma wakati une une zvawakaita izvi todeedza
family Doctor wedu.

Laura...." Musanetseka kani ngaryt ini.... kupiko nyarara uko wakangomuka wakaita zvawakaita
sooo Ka toenda newe kwaDr chaiko......zvaamai asikana regai ndidye zvangu ndaswera nenzara.
" Ndakangodya zvekushinga chaiko asi appetite chaiyo ndakange ndisina ,zvekuti Mai vangu
vakazviona kuti handisi kunyatsodya ndakaona vakandipa rimwe ziso so rekuti ndakatya nazvo
,ndakati ndapedza kudya paye ndikatoti ndakunorara.

Ndakati ndichipinda mubedroom mangu Mai vachiteera kumashure......Laura what is wrong with
you....ndikunzwa musoro mhamha.....

Wane mukomana here ....a a aayehwa mhamha...ukunditaurira chokwadi ere andis kuda
zvekunyeperwa wanzwa....ndati unemukomana ere....ehe mhamha ndinaye

Wakatanga kudanana naye rinhi....tane gore ....sei usina kundiudza ndakati kudiii nenyaya
dzevakomana here,,,,,,,,Makati ndikaita mukomana ndokuudzai amai....saka wakadii kundiudza.

" Ndaiti ndichakuudzai zvangu,,,,rinhi heee

Laura...... silent
Ndikutaura newe pondura apa......ndaiti ndozokuudzai mhamha kumberi uko.

Mom....wakarara naye here mukomana wako.

Laura..... silent

Iwe ndikutaura newe mhani ndoda kupindurwa


Laura....(achidedera) ha haaaandina mhamha

Mom....vhura brugwa tione

Laura....what

Ndati vhura brugwa tione kana uchiri virgin,anditi unogaronditi uri virgin

Laura....
Vhura brugwa aoa apana kana chinoshamisa pauri iwe Laura ndini ndakakuzvara ndichikubvisa
mapamper," saka tibvisirei zvenyu brugwa Mai mwana.....mom um sorry....sorry for what heee
kurumidza kuita zvandataura.

Laura.....ndakatanga kubvisa pant rangu riye mai vachibva vanditarisa ,Mai vangu vakashatirwa
andidi kunyepa ndakangoerekana ndapihwa mbama yekuti ndakanzwa parere moyo...chiii
chandikuona ichi Laurie.......ndakati chiii hee......Makati ndisarare nevakomana....iwe wakaita sei
zvako

Laura...... silent

Pindura apo ukati Mai vaye vanopenga Ka,kukutatisa kwandakuita uku kukuratidza kuti wogara
uchirara nemukomana wako iyeye hakasi kamwe chete aka.....akakurepa ere
Laura......haana

Haah nhasi wandibhiwa Laura kurwara rwara kwaukuita uku haisi nhumbu ere.....Aiwa hausi amai
sorry ndiregererewo andichazviite futi kani

Ndakabva ndaoiwa iwe mbama futi yekuti ndakanyatsoona nyeredzi ."

Mangwana chaiye ndoda kuti tiende kwaDr tinoona kuti hauna nhumbu ere ,ndotoenda tiri 2
nababa newe pasina baba vako nekuti vangandiuraye chaiko .

Haaah wandibhiwa mwanangu dai wakandiudza zvako kuti une mukomana wakandiratidza
ndakamuona,une sure yekuti unorara nemunhu watisingazive,ndoda kuti unotestwer HIV benzi
remunhu .

Mai vangu vakabva vabuda vakatsanwa paye ndakasara ndichichema kwete zvekutamba apa
ndainzwa kupera Simba muviri wangu uchiita kunonzi kupisa andina kurara zuva iroro nefever ,
dzungu neheadache zvese ipapo.
Makuseni ndakati ndichimuka soo ndaiita kupera simba mumakumbo umu,ndakaita
zvekushingirira chaizvo ndikageza ndikabva ndaenda ndangu kudinning ndakatoona anamudhara
vatogara vakuda kudya zvavo breakfast yavo " ndakati ndakuda kusvika pachair kuti ndigare
ndakatanga kunzwa kuoera Simba paye ndakatanga kungoona rima rega rega ndichibva ndati
pasi dhiii ndobva ndangoti ziiii ndakadaro

BABA LAURA

Ndakati ndakagara zvangu mudinning ndichidya zvangu breakfast naMadam vangu Laura akauya
ndobva angodonha achibva angoti ziiii akadaro.

" Moziva ndakapererwa Hana yangu yakarova kani ndikati mwana wangu aitaseiki iye mumww
oga wandakapiwa naMwari....

Mai Laura kurumidza kjmoburitsa mota panze tiende nemwana kuHosp chaiko izvi hazvichade kuti
tideedze Dr zvakutoda chipatara izvi
MaiLaura......ndakabuda ndichimhanya ndakananga kune mota ndakburitsa mota zvekukurumidza
chaiko ndakaenda kunababa vacho ndakatoona vakuuya naye vakamutakura .......ndimi
motodriver bamwana ini handichakwanisa hiiii hiiii hiiii mwana wangu kani hiiii hiii....musacheme
maimwana anoita zvakanaka uyu don't worry kani.

Mota yakamhanyuswa zvekuti pasina kana nguva takange tatisvika apa Laura wacho anga
akangoti ziii semunhu akafa zvekuti ndakange ndakutotya kuti mwana wangu atofa akanga
asisatoofakanyike kani.

Takasvika paye zvikanzi emergency akamhanyiswa Ku Operation Theatre vakatora nguva


yakareba varimo chete,,,,,,pasina kana aitaura kuti chii chaitika kumwan wangu

Balaura.....aaah chiiko nhai Mai mwana chikuitika kumwana wedu kubva angodonha akungoti ziii
akadaro ooh God save my dear child .

Mai Laura.....ameno bamwana kuti kuroiwa ere ndakutotya ini mwana wangu kani hiii hiii hiii....
Pakabva papfuura umwe Dr ndobva ati mwana wenyu muviri wese wakazara infection maita basa
makurumidza kuuya naye dai musina Ka kuuya naye dai atofa kare kare....

Balaura.... infection yaakawana kupi Chiremba.

Dr......takuda kuita matests manje nemascan kuti tinyatsoona kuti chiii chaizvo chikunetsa mwana
wenyu ....zvakanaka Dr itai basa renyu

MaDr akatanga kumhanya mhanya achiraoa mwana wangu natest ese takabhadhara
akaitwa...vakapedza 2 and half hours varimo chete muoperation
theatre ndobva vazouya kwatiri

Dr.....nditeerei tiende muoffice mangu umu..

Kwakanaka ere Dr takutotya isu......huyai chete titaurirane


Takabva taenda paye takadungamidzana murume nemukadzi .....garai zvenyu pamachair apa
titaure

Dr......ndoda kukuudzai kuti your child is out of danger ......ooooh thank God thanks Doc.....andisati
zvangu ndapedza,mwana wenyu tine urombo kuti akabvisa nhumbu

Mai Laura....what nhumbu

Balaura...... nhumbu

Dr.....ehe nhumbu saka munhu akamubvusa nhumbu pane zvaakasiirira zvaita kuti arware kusvika
paasvika apaa,saka patamuita operation tabca tabvisa chibereko chake nekuti change chatoora
....
Mai Laura.....oooh my
God

Dr.....um sorry to say kuti mwana wenyu haafe akaita mwana muupenyu hwake

BaLaura......what why God aaah my Laura nooo nooo ndakabva ndandodonha pasi ndobva ndati
ziii ipapo

End of chapter 16

Drop your comments

Stay tuned
[17/10, 00:05] Mashumba: On Sale
My promise to you

Please don't share

App 0713440576

Chapter 17
MAI LAURA

Nhai mwari Doc look at my husband adonha maiwe kani vane BP kani,do something Dr,,,,,

Dr vakadeedza manurse vakabuda navo vakaendeswa kuER vakatorwa BP yavo yakawanikwa


yakakwirisa,,,,,nhaiwe Laura mwanangu vakuda kuzviurayira baba vako sure nemisikanzwa yako
iyi,,,ndakabudiswa muye anachiremba vakatanga kuita basa ravo...

" Ndakatanga kufunga kuti pandakanyatsorasika ndepapi chaipo pakurera mwana wangu
Laura,sure sure Laura kuita nhumbu nekubvisa ndisina kana kuzviona ere hiii hiiii,,,,,ndakabva
ndaenda kunaLaura ndakaona ari flat akarara zvake zvekuti ndakatopererwa ini
ndakangomutarisa kudai ndichibva ndangobuda muye zvangu ndakananga kuna baba vacho
vandakaona vatomuka zvavo.

Ndakapinda muye ndobva ndatanga kuchema paye....

BaLaura....usacheme hako mukadzi wangu ndaryt ini ndangorwadziwa nezvaita mwana wako
Laura,,,,,l hope mukomana wacho and future coz mwanaa wangu andidi naye ,andidi kuti aroorwe
nemaboora ngoma," waimuziva ere mukomana wacho akambokuudzawo nezvake ere
MaiLaura....kana bamwana ndakatomibvunza nezuro apana chisvinu chaakandiudza ufunge,,,,,um
going to kill that bastard akaita kuti mwanangu abvise pamuviri .....

Haah zvakaoma bamwana Laura akatiworora gore rino vanhu vachati kudiiko nhai weduwe

BaLaura.....ini andina basa nevanhu mufaro wemwan wangu first zvimwe zvose zvozotevera
....sure bamwana

MaiLaura.....saka tichaita seiko nenyaya iyi ......tichibuda muno tichanogara pasi nemwana wako
tobva tanoona mukomana wacho akamupa mimba.....okay bamwana chimbizororai....ndatova ryt
ini bamwana ndakutomuka so....are you sure

MaiLaura......yes my love."

Takabva tabuda muye tikaenda kwakange kuna Laura takamuona atomuka zvake paakationa
akatanga kuchema apo akange asti audzwa kuti haachakwanise kuita mwana...

Laura......hii hii hii(crying) um so sorry dad ndakudissapointai ndiregererewo baba ndakakutadzirai


BaLaura... it's okay my daughter tinotaura kumba not muno muchipatara.......

Tiri busy kutaura naLaura Dr vakabva vauya kuzomuudza bad news,,,,

Dr....." Ndafara kani mese muri muno,ndoda kutaura nemusikana wenyu uyu,,,, Laura anditi
wakabvisa nhumbu ndoda kuti undiudze kuti wakzviitira kupi,,,,

Laura...ndanda ndaka ndaaaa...

Dr.....usatye zvako nyatsotaura zvese ako usatye kani....

Laura...sorry mom n daddy ndakanobviswa nhumbu kwazvimba ndakabviswa nevamwe mbuya


so..

Mai Laura.....what
BaLaura.....what

Dr .... continue

Laura.....vakandinwisa umwe mushonga waivava so ndobva vatora chimwe chinhu chimuti ere
kana kuti chi hanger andina kunyatsoona kuti chainge chiii chaizvo vakachipinza kuzasi kwangu ...

Dr....zvaakaoma

BaLaura.. aaaah Laura wandirwadzisa...

Dr ....haaa zvakaoma Laura zvawakaita izvi hazviitwe wazvinzwa ere,wakzvikanganisira hupenyu


hwako ,ndine urombo kukuudza kuti hauchakwanise kuita mwana muhupenyu hwako...

Laura....what mati kudiiko Dr maihwe kani Ethan wandikanganisira hupenyu hwangu ndava
ngomwa ere nhi mwari dai ndakaziva kani yohwe kani ,Ethan oooh Ethan ndichadiiko ini nhai
mwari wangu ndodiniko hiiii hiiiii hiiii....

MaiLaura...chinyarara mwanangu zvakatoitika apachina zvekuita mwanangu ,l want you to


educate young girls kinze uko madangers eabortion nekubviswa nhumbu pasi pemiti apa
mwanangu wanzwa,,,,,

Laura...zvichandibatsireiko amai ini ndisisabare kani Mai kani

BaLaura....zvivhabatsira vamwe kunze uko mwanangu chinyarara zvakatoitika....

Laura.... crying

Dr..... Takuburitsa muchipatara uuye after 2 weeks kureview wanzwa ere

BaLaura....tikukunzwai chiremba anouya zvake hatimborege kuuya naye ,,,


Takabuda paye nemwana wedu takananga kumba takasvika paye akatitsanangurira zvese
zvakaitika," chero Simba racho rekurova takarishaya sure munhu kuita boyfriend isina kana
chinhu anotogara pachikoro mi vacho vari kumusha ere haaa zvakaoma sure,,,,

Takazongozvitambira kuti ndozviripo Ethan iyeye aitofanira kuroora mwana wangu ko achadiwa
Nani asisabereke sure ,l have to meet that guy ,l have to talk to him achida asingade achatoroora
mwana wangu chete

SABHUKU MUSEVA

Mai mwana ngatirongei date rekuti Shaine achiroora zvake zvekuti 3 months idzo dzakawandisa
hamizvionewo ere,,,,,

Sure ipapo mataura sabhuku hatizviitei mwedzi unotevera chaiwo nekuti musikana akanakisa uyu
anotirwa nevamwe takazvitemba

Sure murume wangu next month itori ryt,date paachauya tichaataura naye kuti anida date ripi
zvake zve after 3 months ndezvake izvo aaah ,,,

Sure bamwana toda kuti atoita uri muchato chaiwo," pakanaka bamwana .
Iwe chifonera Mai Ruvimbo ivazivise zvataronga,,,,okay murume wangu

MaiMuseva...ndakatora fone ndikatanga kufonera sahwira wangu

MaiRue.....eeeh sahwie uriseiko...ndiri ryt kuriseiko ikoko ,,,kuno kune good news chaidzo takuda
kuti Shaine aroore next month taona kuti zveafter 3 months izvi hazviite takuda muroora wedu
kuno

MaiRuvimbo.....sure ere ndafara mufunge neniwo ndakuda mukwasha wangu ndione muzukuru
wangu ndichiri mupenyu...chokwadi kani takudawo vazukuru vanenge vachimhanya mhanyawo
nechivanze,,,taura ako sahwi achingouya chete ndikumuudza good news kani um happy kani
ndafara wena kani mwari ngaakudzwe....bye sahwie ndozokuona kani ,,,okay bye bye wandaiudza
good news kani bye

MaiRue... ulululululul ndafara kani Rue achingosvika chete ndikumuudza good news,,,waaal
ndinenge ndave mamadollars kani yes yes um rich um rich

End of chapter 17
Stay tuned
[18/10, 10:47] Mashumba: On Sale

My promise to you

Please don't share

App 0713440576

MAI MUTANDWA
Iiin Rue arova mazuvano kuti rumour yandikunzwa iyi ichokwadi ere uuum,asi kunyepa Chete uku
Rue haambondirasise kani ndaramba,,,,,,," asi kuti vanhu vese vakanyeoe ere aah ndative
confused ini," Rue wacho haachauyi ukuwo vanhu mudumbu rino vakutaura zvakawanda kani
nezvaRue nemwana wasabhuku uyu Shaine kuti vakuda kuroorana ,,,,,,,Ivo maiRue vacho
vatochinjawo mazuvano vakuchenawo kani zvaakaoma sure ko iko kuzichinja step hehede
tichaonerera edu gore rino kani,,,,,asi muroora wangu Ruvimbo andid zvangu naye ndikumufunga
zvekut mazuvano kuti kwakanaka ikoku ameno Mwari regai ndiite zvangu basa rangu ini,,,,

Ndichida kuti nditange kutsvaira Rue akabva atosvika ndakafara zvekut.....

Titambire muroora wangu ende wange warova ufunge.......sure ere mhamha......sure mwanangu
andid kukushaya ka pano kwenguva yakareba......ndandichiuya zvangu amai basa chete ndiro
range rakawanda kumba mazuvano

Ko zvandikunzwa izvi mwanangu ichokwadi here......aaah zvamai asikana misateerere makuhwa


evanhu vemuraini......

Havasi vanhu nje vakandiudza mwanangu ndakatozvinzwa na ivo maiSabhuku mbune.


Ruvimbo.......aaah Inga zvakaoma .

Chiii chagooma mwanangu ndiudze chokwadi....

Ruvimbo.....pane nyaya amai regai ndikuudzei zvese.......

Sabhuku vakuda kuti mwana wavo Shaine andiroorr...

Aaaaah watiiko mwanangu ," saka ichokwadi Ka chandiri kungonzwa nevanhu Ka ichi ........aaaah
kuti nditi ichokwadi andione sekudaro ini mhamha ," nekuti Shaine akati anondida asi ini
handitombomude ini

Saka uchaita seiko muroora wangu nekuti zvikutondirwadza so zvandiri kunzwa muraini rese iri
wafinga kudiii nekuti sabhuku munhu and Mari zhinji,,,,,,
Ruvimbo.....andina kana basa nemwana wavo ini ndondoda Ethan wangu chete,,,,saka uchaita
hwekudiii nekuti ndakanzwa kuti haoaoeri 3 months vasina kuuya kumba kwenyu Ka
kuzoroora,,,,,,,,

Amai ini handiendiko ini Ethan is my hubby not this foolish Shaine...... hausi Ka kupindurs
mubvunzo wangu uchaita seiko nenyaya iyi

Don't worry kani amai vangu ndakatovarongera plan," ende iyoyo inotobudirira chete,,,,ndiudze
tidzwe plan yacho

Ruvimbo.......ndakatanga zvangu kuvatsanangurira zvese zvandakange ndaronga ndakona Mai


vogutsurira musoro zvino

Aaah aaah aaah muroora wangu ende wakangwara wena,ndiwe wega waronga plan yakanaka
kudai ko kuchikoro waigofoira sei munhu anofunga kudaro......ameno mhamha,,,,,,, aaah
wakangwarira muroora wangu ende unenge wavagona kani ko kuti vapfidze...

Tiri busy kutaura naamwene vangu ndakaona amai vachiuya vachifambisa vakatsamwa kwete
zvekutamba

MaiMutandwa.......titambire Ka nhai maiRue,,,,,,

Muchitambirei heeee ndimi Ka makaroya mwana wangu panapa ,akuiteiko pano achisiya basa
kumba achiuya kuno kuzokishandirai here makamupeiko mwana wangu....

MaiMutandwa...... silent

Iwe Ruvimbo kurumidza kusiya zvauri kuita ipapo tirnde kumba ukusukira maiEthan maplates
ekumba waapedza ere ndakasvika paari ndikamupa mbama.

Ruvimbo.....hiii hiii hiiii mukundirovereiko mhamha.....ndakatiiko nenyaya yekuuya kuno here


ndikuone futi pano ndinokuuraya wanzwa benzi remunhu,,,,,,wakavaudza ere ava vaimbova
vamwene vako kuti ukuroorwa next month,,,,

Ruvimbo......aaah mhamha next month ,ndiyani iyeye adaro,,,,,, hendei kumba tinotaura uko siya
Mai iyi izvisukure maplates ayo,iwoo maplates emunhu one anowandisa kudaro hindava ,,,,eeeh
regai tisiyane nezvepamba pevanhu iwe hendei,,,,,

Mai Mutandwa...... zvakaoma weduwe ndakangozunguza musoro wangu ndakazvipindira zvangu


mumba

RUVIMBO

Mukutiiko nhai amai anty takabvumirana naShaine kuti akuroora after 3 months ere,,,,zvschinjwa
mwanangu next month chaiyo unenge wava mukadzi waShaine muroora wasabhuku mukuru
ululululu ndri kufara weduwe

Saka makutopururudza kuti ndatoroorwa here nhai amai,watoenda kwasabhuku mwangu hupenyu
hwedu hwakutochinja soon anabamunini vako vaindidadira vachandiona gore rino ndakunwa wo
kopfii ,,,,, uuuum zvamai asikana muchasekwa kwasabhuku kwenyu ikoko kwamukuda kuenda
uku inonzi Coffee kani munondinyadzisa amai,,,,,

Ruvimbo.....takazosvika edu kumba asi ndakange ndaitobhowekana kare sure zvenext month
zvabvepi fupi,l have to plan fast uku ndiko kwandisiri kuzoenda manje amai ," ndaidaro zvangu
nechemumoyo mangu.

Mai vskazoswera vachiudza hama neshamwari nanabamunini vangu nezve marooro angu asi ini
mumoyo ndaiziva zvangu plan yangu.

Vakabva vatoti mangwana chaiye tiri kuenda kugrowth point kunotenga mbatya nezvinhu
zvinodiwa pamarooro tifanotenga zvimwe zvinhu.....

Zuva iroro andina kurara kani ndichifunga , Shaine akandifonera akandiudza day racho zvekuti
ndakarohwa nehana pakange pangosara 3 weeks chete kuti vauye kuzoroora saka ndaifanira
kutoronga faster fasy kuti ndodiiii

BABA LAURA
Laura ndoda kuti ufonere mukomana wako izvozvi ndoda kuti auye pano now ukundinzwa,,,,,ehe
daddy ndazvinzwa...

Laura.....ndakatora fone yangu ndikafonera Ethan ndichimuudza kuti akudiwa apa ndakanzi
namudhara ndiise fone yacho paloud,,,,,

Ethan...... kwakanaka ere kwaunoda kuti nditouya now....ehe kwakanaka baba vangu vakuda
kukuona....

Ethan.....what baba vako......ehe baba vangu itoita zvekukurumidza ....uuuum ndakutya ini
kwakanaka ere

Laura.....ndakukupa1 hour yekuti usvike kuno bye.....

Balaura.....l hope anosvika zvake nekuti akasasvika Ka ndikuenda ikoko kuUZ anonondiona chete
benzi remunhu
AFTER 1 HOUR

Ethan akabva atouya pakakwana 1 hour yacho akasvika achiita kunonzi kutya chaiko ," aiita
kudedera chaiko zvekuti ndakamunzeira Tsitsi.

Ethan.....makaddiii zvenyu

Balaura....young man um Fyn ,wakaoata mhosva kaiwe .

Ethan.....achishamisika ake mhosva,,,, ehe mhosva hausi kuiziva ere ndikuudze inini baba
vemwana uyu

Balaura....ndakasimuka pandaive ndikanopa Ethan mbama asingazvifingure,,,,,,wazivabka


mhosva yako
Ethan....ehe ndabvuma baba ndiregererewo nezvandakaita Laura ndomuda asi ndakange ndisati
ndaready kuti ndichengete mwana ,nekuti andisati ndapedza chikoro this is my final year um very
sorry baba.

Saka wafunga kudiii nemhuri yako iyi...mhuri , aah mhuri yipi baba.

Balaura....lauraka uyu atova mukadzi wako kubva nhas ukundinzwa ,mwana wangu
haachakwanise kuita mwana nekuda kwako iwe ....

Ethan.... what ooh my God what have l done..

Saka ndaona zvakakodzera kuti uchitora mukadzi wako uyu nekuti hapana achamuda nekuti
haachazvare akabviswa chibereko chake chaora mushure mukunge mabvusa Ka nhumbu

Laura....hii hiii (crying)


Wandinzwa ere young man,,,,,ndazvinzwa baba

Balaura....do you love my daughter,,,,,very much sir ,l will die for .

Saka marry my daughter right now.....

MaiLaura....what

Yes you heard me l arrange everything ,Laura is my only child l want her to be happy.....

Are you ready to marry my daughter.......ye ye yes Sir and you Laura do you love Ethan .....yes
dad .

Soo today kuchange kune muchato wenyu muri 2 ndato inviter all my buy partners ,my friends
nevese vanoremekedzwa ,
Laura.....oooh thank you daddy l love you so much

Ethan...tha tha thank you sir ," ndaingotaurawo zvangu asi mumoyo mangu ndaisafara handiwo
maroorero andaida kuita Laura wangu uyu kumuda ndaimuda nemoyo wese asi
zvrkusongochatiswa Ka painge pakaipa kani,ndakazongobvuma hangu nekuti Laura wacho
ndaimuda plus ndaitya kusungiswa vanhu vanemari vanonetsa Ka Ava

End of chapter 18

Drop your comments

Stay tuned
[18/10, 14:00] Mashumba: On Sale

My promise to you
App0713440576

Chapter19

ETHAN
Hana yangu yakarova pakataurwa zvekuti ndichate naLaura,Laura ndaimuda mhani ndakange
ndisingade kumuroora maroorero andakuda kuita now," ndaida kushandawo ndonyatsobvisa Mari
kuroora chaiko ndozoita zimuchsto rangu kwete zvekuitirwa zvinhu zvese kudai.

Ndakatanga kufunga kuti chokwadi hupenyu hwangu hwuchazovei chaizvo ,,,,,,,,,ndakafunga amai
vangu kuti sure ere ndakitoroora mukadzi vasingazvizive .

Ndozongoenda nemukadzi ere ndisinawo kuvaratidza muroora wavo,but chokwadi ndaichiziva


zvangu chekuti vaisambomitambira Laura nemadiro avanoita Ruvimbo Ka paive pakatoipa,asi
pakange pasina yekutamba nekuti ndizvo zvativapo sooner or later Laura vaizomutambira chete
semuroora wavo votokanganwa nezvaRuvimbo,,,,,,,

Ndakanga ndiri panguva yakaoma kani ,,,,,apo kuti ndisachata naLaura zvaisaita ndini ndainge
ndakamukanganisa plus ndaimuda nemoyo yese,aaah ameno ikoko zvichazvigadzirisa zvega
ikoko ,l just pray kuti amai vangu vazotambirawo Laura semuroora wavo,,,,,,

Regai ndifare zvangu nhas izuva rangu remuchato Tatenda uripi tivadzirire shaaah nguva dzapera
idzi....
Tatenda ndiye wandakange ndasarudza kuti ave bestman wangu sezvo ndakange ndisina
shamwari dzakawanda,,,,

Takagadzirira tikapedza zvedu takananga paCresta Lodge ndipo paiitirwa muchato wacho,,,,,,

Ndakatumirwa mota svinu kwete dzekutamba Ka kwakauya convoy chaiyo kunge pane vanhu
vakawanda,,,,takapinda mumota nabestie wangu takananga kuvenue,,,,,,ndakati ndichisvika paye
iiih nzvimbo yakange yakanaka zvayo iyoyo takaramba takafara edu mumota takamirira bride
wangu kuti asvike

MAILAURA

Bamwana makuledza ere mumba umo......ndatopedza sweetheart ko Laura atoledza here


tichienda tanonoka nguva hapachina Mai mwana......regai ndinotarisa sure nguva dzapera
MaiLaura........ndakapinda muroom maLaura ndikatoona achiitwa make up waaaal you look
beautiful my daughter um happy for you my child ,.......um sorry mum nezvandakaita
ndiregererewo amai yakange iriwo misikanzwa ...... ndakakuregerera kare mwanangu Fara nhasi
izuva rako usafunganya nezvemangwana mwanangu God will take care of everything ......

Thank you mum and dad nerudo rwenyu hiii hiii (crying)usacheme mwanangu unokanganisa make
up yako iyo my beautiful gal...

Laura akazopfekedzwa gown rake takabuda nababa vacho vaifara kani.....

Balaura......ndikufara kani Mai mwana mukomana walaura anenge munhu kwaye achakwanisa
kugara naLaura zvakanaka ndaknyatsomuona zvangu musatye Mai mwana harisi tsotsi ,,,,,,,

Ndikufara ini Ari umwe dai akatotiza so akafamba mwana wedu uyu pachena takazosvika zvedu
takatoona anaVP , mayor nevamwe vanoremefzeka vatakakoka vatovapo,,,,,,

Muchato wakatanga ndakapa Laura kumurume wake,vakapanana naawedding vows


vakapromisana kuti vachange vari vese kusvika vaparadzaniswa nerufu,,,,,,,,
Ethan akapa speech yekuti munhu wese akati yes munhu anoda mukadzi wake mhani uyu .......asi
mupfungwa dzangu ndaingofunga kuti achazokwanisa kugara hupenyu hwake hwese asinawo
mwana anonzi uyu ndewake ere pange pakaipa ipapo,,,,

Lunchtime yakasvika vanhu vakadya zvavo kwakazosvika nguva yezvipo......haaaaah Mari


yakabvuswa kani maUSA,marands maeuro haaaapakabuda Mari kani

Baba vaLaura vakazosimuka vakabvjsa imba 15 rooms kuborrowdale brooks,100 000 USA ,2 cars
vakabva vapihwa company yavo nematickets ehoneymoon vaizoenda kuParis...

LAURA

Ndakafara zvisingaite ndichichata naEthan the man of my dreams,baba vangu vakandigonera


sure ndakaita muchato inotyisa kani vanhu vese vaingotauta nezvawo baba vangu vaindida
weduwe vakatipa Company yanga one mazita edu maviri ,mota nemba chaivo ndakachema
chokwadi nerudo rwatakitirwa nababa vangu ,,,,,,,"Takasimuka naEthan takanovatenda vakati
vanogona kutoita zvinopfuura ipapo nekuti tiri vana vavo,,,,,
Ethan akavatenda zvikuru akange asingazvifingure kuti baba vangu vangagipe zvinhu
zvakawanda kudai ,,,ndakamuona opfugama pasi achida kutenda baba asi vakamuyi asimuke,,,,,

Balaura.....ndafara zvikuru manheru anhas muchato uchingopera ndoda kuti mubva maenda
kuhoneymoon for 2 weeks....

Laura,,,, screaming.waaaal thank you dad....

Vanhu vakazotamba vakadya cake muchato wakapera zvakanaka naka takabva tangopihwa
matickets edu ekuenda kuParis

RUVIMBO
Ndakanyatsoronga plan yangu zvakanaka ,yakange iri Friday ndichifanirwa kuroorwa Sat yacho
,Mai vangu vakange vatenga zvese kani apana chakasara ini wacho ndakange ndatengerwa ini
hembe yakanaka yekuzoofeka pamrooro angu

Anabamunini,nanatete nanamaiguru nanamainini masisters amai vangu vakange vatouya vese


kunarooro angu asi vaisaziva havo zvandainge ndakaronga ,Mai vangu vaifara kani kunge
vachabata denga asi vaisaziva zvakavamirira kumberi uku,,,ndakamboedza kuvaudza kuti Shaine
handimude vakaita nharo zvavo ,,,,,,,,

Vanhu varara ndakatora tsamba yangu ndikainyora ndikanyatsoiisa pasi pepillow zvekut munhu
wese aikwanisa kungoiona ....

Ndakarara ndakamukira kuseni seni nebag rangu ndakananga kwavamwene vangu kwaknge
kwakasviba zvekuti ndaototua kana kufamba kwacho asi ndakangozvishingisa chete kusvikira
ndasvika chete

Ruvimbo.....ndakabva ndaknocker padoor amwene vangu vakanditambira nemufaro


kani.....wazouya Rue ndaiti wainueoa kaini......ndaitotaura chokwadi ini amai Ethan ndomurume
wangu kwete zvaShaine ,,,,, ululululu ndafara kani muroora wanguwauya kwasara kuti tichifonera
Ethan kuti azive kuti watizira watove kuno .....ehe mhamha anofanira kuziva kuti mudzimai wake
avepo Ka ,,,,,, ululululu zvandaida zvazoitika kani muroora wangu auya kani.

Ruvimbo....ko akafamba mhamha....

maiEthan.....unongomunyepera kuti une nhumbu...

Yes mhamha good plan um happy ndamai Mutandwa jnr ueeeh

Ruvimbo.....um sorry mhamha nezvandaita izvi please forgive me ndakazvidyira rudo Ethan
ndomuda ini hope muchazondiregerera wo rimwe gore

End of chapter 19

Drop your comments


Stay tuned
[20/10, 07:01] Mashumba: For Subscribers only

My promise to you

App 0713440576
Chapter 20

Mai Ruvimbo

Mazuva ekuti Ruvimbo aroorwe akange akusvika pakange pasara 3 days kuti mwana wangu
aroorwe nemwana wasabhuku uyu Shaine wemari zhinji,ndakange ndichifara kani chero hma
dzabaRue ndakange ndakutodzivhairira nekuti pakafa murume wangu vaitibta nekuseri kweruoko
chaiko apana kana aida kutibatsira yaingiva nhamo yega yega,

Chokwad hupenyu hwaive hwakatiomera kuti ndakamirira munhamo,ndoroorwa munhamo ndofira


futi munhamo aaah Mwari ainge andirangarira sure zvekuchemberera munhamo ndizvo
zvsndaisadza ini,,,,,ndotenda mwana wangu akaonekwawo nevane mari kwete zvana Ethan
zvekupenga izvo

Akange andifadza mwana wangu fanike paakaramba Ethan ndakaita kupembera chaiko,,,,,,

Ndakaudza Hama dzangu dzesa nezvemarooro aya anabamunini,bamui, tete nevamwewo


nehama dzanguwo ndakadzidza masisters angu ese ndakavaudza vakati vanouya,,,,,
Vanhu vazhinji vakauya iri Thursday haaa paifsrwa kani asi mwana wangu Rue ndaisaona mufaro
wake aive akangosuwa suwa ndskamudeedza ndikataura naye akangoti Ari right asi ndaiona
zvaangu kuti haana mufaro,,,,,

Hanya nani sure munhu kuchemers Ethan wanga zvake asina chaanacho ngaatikwanire apa
benze remwana manje achida asingade Shaine akutoroorwa naye chete chero pfut chaiyo
ndinoibata kuti angoroorwa naShaaine chete,,,,,

Friday yakasvika takarara nechigadzirira zuva guru nemasisters angu takazorara late taneta
nebasa pamba chero iye Rue wacho takazomuti anorara nekuti takange taneta kani,,,,,

Next day takamukira kani kuseni seni kutanga kuita basa paye vamwe vaibika ,vaaaamwe
kutsvaira nekugadzira muchazosvikira vakwasha,,,,,,,

Nguva dzakafamba vanhu tichingoita basa vamwe vakatanga kutogeza ,vamwe wo vachifanodya
asi chakandinetsa ndechekuti Rue ndaisamuona ,,,,,,,,

Mainini mmboonawo Rue ere.....andina ini ndangomuka ndiri busy nebasa handina kana
kumbomuona ini,angaendepiko arimo mumba umo nhasi izuva rake regai arare atsanyozorora
ozomuka ongogeza chete
MaiRue..... ipapo une point regai arare sure nhasi izuva rake tizomumutsva kuti ageze tym
tym,,,,chokwadi

Takaita zvese tikapedza tamirira kuti Rue achigeza tichigarira vaenzi vake....ndakapinda muroom
mairara Rue kana kumuona zvangu Hana yangu yakatanga kuchirova manje kuti Rue aripi
chaizvo.

Ndakabuda panze ndichimutsvaga Rue andina kana kumuona ndakabvunza munhu wese aive
pamba apana kana aiti amuona,,,,," takatanga kuchimutsvsga tese manje nekuti time yakange
yafamba tisati tamuona Rue ,,,,,

" Takapinda mumba muye takatsvaga pese kani apana chatakaona,,,

Mainini....ngatipindei futi mumba maanorara tinyatsotsvaga futi.....iiiih totsvagei mumba matabuda


izvozvo ngatongopindei fut honai pane nguva kani,,,,,
Takapinda mumba muye takatanga kutsvaga nepasi pemubhedha chaipo ndipo mainini
pavakaona tsamba .

Mainini......ndaona tsamba iyi akoma ameno kuti ndiRue anyora ere.....ndakamhanya kwakange
kuna mainini vaye ndikasvikobvuta tsamba iya Rega ndiverenge.

Ndakavhura tsamba iya ndakatoona iri handwriting yaRue," ehe ndiRue anyora tsamba iyi regai
tione kuti makanzi kudiiko,,,,,,

Kuna Amai

Um sorry mhamha nekuti pamuchaverenga tsamba iyi ndinenge ndatoenda kure ende
hsmumbindione,,,,,

MaiRue.....maiwe kani Rue azondiorora gore rino andichakwanise kuverenga tsamba iyi mainini
verengai imi tinzwe
Mainini.......inoti.

Pamuzozoverenga tsamba iyi ini ndinenge ndaenda kudhara ende hsmumbindione


amai,ndaikuudzai kuti Shaaine handimude asi makaiya nharo makandimanikidza ndisingade kuti
andiroore, ndakaedza kukuudzai asi imi maisanditeerera maingoda mari chete nemi maisava
nebasa nazvo kuti ndikufara ere chamaingida mri chete kwete mufaro wangu ini mwana
wenyu,,,,,,

.ndoda kukuzivisai kuti ndaenda kumba kwemurume wangu Ethan ndine nhumbu yake yatove
nemwedzi muviri musanditsvage zvenyu ndiri kwavamwene vangu Mai Mutandwa thank ndofunga
muchazondiregererawo rimwe gore nezvandaita izvi Mai vangu ndazviitira mwana wangu uyu
ende ndazviitira rudo l love Ethan nemoyo wangu wese good bye

MaiRue ......pakapedzwa kuverengwa tsamba iyi ndakabva ndangofenda ipapo..

Mainini....mhanyai motors mvura tivadire


Bamunini.....chiiko chikuitika pano koRuvimbo wacho aripiko.....

MaiRue pavakadirwa mvura ndipo pavakati bengenu vakatanga kuchema ,," maihwe kani
ndozviudza aniko izvi Rue chaiye kutizira ini ndisingazive ndichadiiko ini sure mihwe kani yiwe
kani nhasi Hama dzangu ndodiiko ini

Anbamukuru ,tete nabamunini vakabva vapinda paye chiiko chikutira nzvimbo chinguri tamirira
Rue panze apo aripiko nguva dzekuti vakwash vachiuya dzakutosvika tisina kuona mwana wedu
kuti aripi,,,,,,

Mainini....tikumushaya isi....matiiii hamusi serii vanhu imi ayendepiko

MaiRue....hiii hiiii (crying)

Imi mukuchemei apa muchitiitura noise chii chikutira nzvimbo panapi....


Mainini vakabva vatora tsamba iye vachibva vairatidza ana bamukuru vakashaya neremuromo

Bamunini....ndaikuudzai kutii paye kkkk hehede ndafara zvangu nhasi Mona zvinoita kuvhaira
ndakange ndakuvhairirwa pano hee mwana wangu akuroorwa nevane Mari kwaSabhuku zvino
aendepi heee kwana Ethan uko kunonhuwa nhamo yega yega inga Mwari anoona.

Bamukuru....ino haisi nguva yekusekana tikuda solution vakwasha vasati vasvika avatita seiko
ssmhuri

Bamunini....tingadiiii apana zvekuita apa dai and munin'ina taiti Ka toroodza mupfanha wake
manje ndiye ega mean pano,,,

Haaah pakaipa kani neniwo ndatopererwa kuti ndodini....

MaiRue mumutochema zvenyu fungai kuti todiii," vakabva vatowedzera zvavo kuchema

MaiRue...has wandiorora mwanangu oooh wandigona wena ndinoti kudiiko kunana sabhuku
ndspererea nemazano ini.
Dai ndakaziva zvangu kuti ndizvo zvauchaita ndisina kumbobvira ndakumnikidza zvangu,"
wandinyadzisa kani hiii hiii hiiii kuita nhumbu yaEthan iwewe pano hiiii

Takapererwa tichishaya kuti toita sei vakwash vakabva vasvika ,paakasvika convoy chaiyo uum
mota dzainge dzakanaka idzodzi dzoti kuwanda futi sure Rue akange andipinza pakaoma

Mota dzakangopinda dzakatevedzana ndobva nda.....

MAI MUTANDWA

Makanaka Jesu munoshamisa


Munoita munana nezviratidzo

Ooh munoita
Munnana

Munoita
Munana

Munoita munana nezviratidzo

PaJericho paye makashamisa


Makaita munana nezviratidzo

Nanhasi uno mandishamisa munoita munana nezviratidzo


Hoo munoita munana
Munoita munana
Munoita munana nezviratidzo

Ndini zvangu ndaitoimba zvangu ndichifarira muroora wangu aive auya ,ndakafara zvisingaite
chokwadi Rue ndaimuda ndakatora fone naRue tiri 2 Kuda kufonera Ethan asi fone yake yaisaita

Ruvimbo....aah fone yake haisi kuita iyi chiiko kubva paye pandakamunyirera message haana
kana kupindura ,ndoti ndikafoner haadaire fone um worried mhamha,,,

Don't worry murume wako achauya chete kumusha chandikufarira ndechekuti wave pano,wstiva
muroora wangu .

Rue......ndofunga by now mai vaverenga tsamba yangu iiih pakaipa moyo wangu wakurwadza
nezvandaita kuti Mai vangu vachadiii sure hii hiii ndavakanganisira dai ndakavaudza zvangu
kusvikira vanzwisisa.....usacheme kani apana apa vaisatombonzwisisa zvawaita izvi wagona
mwanangu...
Rue....l feel sorry for my mom ndandisingads kuvarwadzisa sooo ini....zvatoitika mwanangu
vachazokuregerera nerimwe gore wanzwa

Ruvimbo...ko Ethan wacho akandirambi ndodiii.....haambokurambe uyu mwanangu anokuda

Rue..... Iiiiiih pakaipa mhamha achandivenga apa nhumbu yacho andina futi ini....tozozviona
nguva yacho yasvika

Chawakufanira kuita apa kutoita nhumbu chop chop Ethan asati atirwa newe Harare ......sure amai
ipapo mataura ndichatouita plan chete ipapo.

Ethan chiuya ako ndapano manje full time Mai Mutandwa jnr yeeeh

End of chapter 20

Stay tuned
[21/10, 06:19] Mashumba: For Subscribers only
My promise to you

Story by Cee

App0713440576

MAI RUVIMBO

Chokwadi gore rino Rue andigura kunorira sure zvaaita izvi handaimbozvirota kana
kumbozvifungidzira angu ," haaah akandisiya pakaoma mwana uyu chokwadi ndodiiko haah ini
ndatopererwa ini,,,,,

Todiiko nhai Hama dzangu

Bamukuru.....pakutodiwa plan yakasimba apa pakaipa....

Bamunini.....plan ipiko imi munhu ngaangoudzwa chokwadi imi sooner or later achangozviziva,dai
and munin' ina taiti zvimwe munin'ina wake ndiye achienda panzvimbo lake manje haana ingoidzai
munhu chokwadi,,,,,

Mainini...." I think zvikutaurwa na bamunini ichokwadi chaicho kungogara maudza munhu


mamubudira pachena kwakangonakawo so.

Bamukuru......haaah tiri panguva yakaoma sure

MaiRuvimbo.....haaah wandiororra mwanangu andife ndakakuregerera kundiitisa chiseko


chenyika inini nekudabkwaEthan iiih wandirwadzisa kani mwanangu," wandibaya pamoyo chaipo
ndodiiko ini hiii hii hiii,,,,,

Ndichichema kudaro vakwasha vakabva vasvika,paakasvika convoy chaiyo ,mota dzainge


dzakawanda kani idzodzo dzoti kunaka futi ndakangopererwa ndichichidziona ndakafunga mwana
wangu aktiza Mari yese iyo achitizira munhamo, chokwadi mumba kunotonhuwa nhamo ikoko
munhu aenda ikoko achisiya vane Mari vanozogonankumuchengeta chokwadi Rue akandibhowa
andidi zvangu kunyepa

MaiRuvimbo....vakwash vasvika avo todiniko pano......

Tete.....tongotaura chokwadi tingadiiko nhaimi.....

Bamunini......sure tongotaura zvese zvaitika

Bamukuru.....ichokwadi ichocho ngatitaurei zvese asi musataure kwaakatizira pano panozoita


drama chairo
Bamunini.....munoiti chero izvozvi mukasataura hapaite drama ere ," pagara nhasi tichaona drama
kani mirai muone zvenyu ,,,,,

Mainini....vatosvika avo ndiyani akinovatambira," vanhu vese vakabva vangotarisa Paso hapana
kana munhu 1 Aida kuenda ko nekuda kwenyadzi chaiko,kwakzotumwa kamwana kabamunini kuti
kanoti vakwasha vapinde,,,,,vakadeedzwa vakapinda vese mumba APA sabhuku vaivapowo,,,,,

Mumba makangonzi mupinde vanhu vskuru chete vagadzirise nyaya .....

Vanhu vakakwazisana kwazisana pakamboita runyararo ,munyai akazotanga kutaura nyaya yake
vanhu takatanga kungotarisana

Munyai......isu kwedu tisati tatanga marooro tonotanga taona musikana wedu kuti ndiye ere
muroora wedu chaiye chaiye saka panguva ini tomumbirawo mutiratidzewo muroora wedu ,,,,,,

Vanhu vese takangotanga kutarisana pasina aitaura kana chinhu mumba makaita runyararo
runotyisa.....pamusoro Hama dzangu achiombera maoko...
Vanhu vese ziiiii

Bamukuru.....bamunini taurai Ka......aaah ko ndini ndadiiii taura iwe mukuru....

Tete...hezvo ndimi Ka ana baba taurai Ka imimi.

vese vakaramba vakanyara...hezvo nhai hama dzangu tosvikepiko takanyarara pano hapanawo
munyai wekusidebkwedu kunoko angotaura nyaya yacho zvepere ere...

MaiRue....sekuru baRumbi avo ndivo munyai ndavataure.

Bamukuru......aaah tikunersekana munyai aripo sekuru baRumbie ava taurai sekuru nyaya

Sekuru......vachiombera maoko pamusoroi dare rese ndodankungokuudzai kuti Ruvimbo pano


haapo

What....?
Mari kudiiiiii aripi Ruvimbo here

Sekuru.....Ruvimbo angofuma asipo pano,,,,, Sabhuku huyai mundinzwirewo zviri pano ,,,,,,Hama
dzese dzasabhuku dzakazoponda muye dzikagara...

Sabhuku.....mukutinkudiiko muno...

Munyai......zvikunzi Ruvimbo angomuka asipo pano

Shaine....what?

What are you saying panapa,,,,,,,,


Sekuru.....Tikuti Ruvimbo atizira atosiya anyora tsamba ndobva atoenda zvake...

Sabhuku......ooh my God ichokwadi ere ichi chandikunzwa Ruvimbo is going to pay panezvaaita
izvi ,kutipedzera nguva panapa kufambira mahara.

All of you you are going to pay mapenzi evanhu kunyanya imi maiRue makadya Mari yangu
yakawanda chaizvo muchiri zvinhu zvese zviri bho imi muchiziva kuti mwana wenyu ane umwe
mukomana you going to pay mirai muone zvese useless people takutoitwa chiseko chenyika
nekuda kwenyu imimi.

Shaine.....ooh my God Ruvimbo wandirwadzisa dai wakandiramba zvako pane zvawandiita izvi
,you will never find happiness mark my words,l loved you but waitotamba zvako neni
uchindipedzera nguva yangu you going to pay l Tel ,,God will punish you handei daddy
vachazviona chete

Sabhuku.....Mai Rue michazviona chete handisati ndapedza nemi...

Mumba makaitika noise kani zuva iroro hama dzekwaMuseva ndichibva dzabuda dzakatsamwa
ndichienda
MaiRuvimbo.....ndakarwadziwa chili ndichiona mota dzino mbishi dzichienda
dzakadungamidzana.

Bamunini.....ndakakuudzai maiguru nekuda kwenyu mari uku muchsiwanepiko Mari yekudzorera


maifamba muno muchimodeller nemari yaSabhuku muchaidzosera seiko zvamusika kana chinhu.

MaiRue..... silent

Bamukuru....chisiyai zvakadaro kani bamunini tichaona kuti vanodiii ini ndakugadzirira kudzokera
Kumba kwangu.

MaiRuvimbo.....vanhu vese vakazodzokera mudzimba dzavo ndakasara nemasisters angu maviri


vakangouya 2 days vachibva vadzokera wo kudzimba dzavo ,ndakazosara ndega asi nhamo
yainge yakandimirira ndaitoziva

LAURA
Um happy shaaah tadzoka kuno kuZim....

Ethan....neniwo ndikufara shaah aaah takanakidzwa seiko kuParis...

Iiih kwainakidza ufunge nguva ndiyo yakatoita ishoma.....

Ethan.....uuuum haaah kwakanaka zvako kuParis Mai mwana unoita sewativa kudenga Ka iwe
uripanyika pano..

Chokwadi taura ako Paris yakanakisa kani, happy l married you Ethan you are the love of my
life.....neniwo shaaa ndikufara zvisingaite ndokuda shaaah

Laura....ooh andina kuudza anamdhara kuti yasvika Rega ndivafonere," ndakatora fone yangu
ndikataura naamomz vangu vakafara sei kuti tadzoka yakange iri Thursday anzi mozouya Ka
weekend vakange vatondisuwa amai vangu sure neniwo ndainge ndatovasuwa ameno kuti
ndaigona kurarama vasipo ere nenguva Shona Shona iyoyo Ka zvaiitabkunge gore chairo
Ndakapedza zvangu kutaura namoz ndobva ndaenda kuna Hubby wangu honeymoon yacho
ndiyo yakazotitevera kuno ndaiita kunonzi kushandirwa kani aEthan.

Ethan....haaah tiri Paris tskashanda kani zvekuti mudumbu uni munogona kunge mana Jnr
sweetie ..

Laura.... silent

Ethan ...look kuti ziiii kwakanaka.

Laura....akabva atanga kuchema.

Ethan....ndakazofunga zvangainge ndataura ,kutokanganwa kuti Laura akabviswa chibereko


chake....

Laura.... crying
Ethan.....um sorry my love ndange ndakanganwa sorry ako

Laura..... it's okay Ethan," ndaidaro ndichitowedzera zvangu kuchema kuti ndainge
ndazvikanganisira life yangu

End of chapter 21

Stay tuned
[22/10, 06:46] Mashumba: For Subscribers only

My promise to you
Story by Cee

App 0713440576

Chapter 22

ETHAN
Kuroora kwandakaita Laura kwakaunza mufaro muhupenyu hwangu Laura ndaimuda chaizvo
andidi zvangu kunyepa akange ari pamoyo pangu patakachata nababa vake takaitirwa zvese kani
kutengerwa nemapresents ekuti ndikazvifunga so ndinochemakubudisa misodzi chaiyo," nenhamo
yandakakura ndichiona namai vangu kwazvimba uko Mwari angondisimudzira so from grass to
grace Aiwa zvaida kutendwa izvi .

Ndakange ndava neCompany yangu yatai batsirana naMadam wangu kuirunner yakange yakura
zvikuru kuUZ ndakange ndakuenda maweekends chete Mon- Fri ndaienda kubasa Laura ndiye
aienda everyday kubasa achindibatsira pano neapo,,,,

Mumba medu maive mufaro wega wega maidarwa kani," ndainge ndakavimbisa Laura kuti andife
ndakakusiya chero tisina mwana kudai andimbofe ndakaita umwe mukadzi kunze kwake iye .

Gore rakazopera ini naLaura wangu ndichingodanana rudo rwaiwedzera zuva nezuva,,,,,,, "
ndakazonyora maExams angu ndikapassa zvakanaka .

Ndakange ndakushanda sedhongi chairo nekuti ndaida kubudirira takazovhura amwe


macompanies matatu ndichibatsira nawifey wangu.

Laura akatanga kundinetsera nyaya ye adoption asi ndakaramba ndaingoti hatingogarei takadaro
tiri vaviri ,zveadoption ndaisada kana kuzvinzwa zvangu taizongogara hedu tochembedzana tiri
vaviri zvedu.

Ndakange ndisisina zororo nekufunga amai vangu ndaitofanira kuita plan chete kuti ndiende
ndinoona amai vangu kumusha uko ndichivaudza zvakaitika,mumoyo mangu makange musina
mufaro zvachose nenyaya yamai vangu ndaizoita plan chete yekuti ndiende kunovaona,

Laura akatanga zve kundinetsera nyaya yekuti amboendawo kumusha kunoona amai vangu asi
ndaingotsika tsika.

Paitoda plan fast yekuti nditange ndaenda ini ndega ndozoenda naye ndagadzirisa chivanhu.

Rimwe zuva ndakazvifunga zvangu ndakamukira kuZvimba ndakapfeka suit yangu yakanaka
ndakapinda zvangu my Fortunes yangu yandakange ndatenga.

Ndakafamba zvangu road yese ndichiridza soft music ndichifunga kuti ndichanovatii Mai vangu,
vachatambira ere zvandichavaudza,,,,,,,
Ndakati ndichisvika ndakaona Ruvimbo achitotsvaira zvake Layard akamonera zambia
akasungwa dhuku semuroora,zvakangondishamisa kuti munhu uyu bho ere kumukira kwamai
vangu kuseni kwakadai kobasa rekumba kwavo rakange rapera ere zvavanouya kwamai vangu
kudai.

Akati achindiona akandimhanyira akasvikondimbundira zvekuti ndakapera Simba rese


ndakazoona Mai vangu vachiuyawo vachimhanya vakasvikondimbundira paye vakanditarisa
kubva mumusoro kusvika kutsoka vachishamisika nekuchinja kwandainga ndaita vakabva vatarisa
mota vakamhanyira ko vachipururudza,,,,

MaiEtha ......ndeyako ere mota iyi....ehe mhamha

Uuum wakaiwaneoi mari yekutenga mota mbishi yakadai nemachenero ako Aya mwana ngu
ukuiwanepiko mari yabca yaita kuti uchinje kudai...

Ethan....it's a long story mhamha hendei mumba tinotaura,,


Takataura nyaya dzakawanda kani namai vangu sevanhu vakange vasuwana kudai Ruvimbo
akabika akaita zvese kani ndaizofanira kudzokera kumba manheru zvaisaita kuti ndirare ikoko.

Ethan..... ndokumbirawo kumbotaura nemi amai Ruvimbo uyu asipo.....achiendepiko nhai


mwanangu Ruvimbo is here to stay

Ethan......what ?

Imbosiyai yaRuvimbo pane nyaya yandafambira amai....nyaya yei mwanangu wodzoka wondityisa
Ka Ethan

Ethan..... Ruvimbo ndokumbirawo kuti ambobuda nditaure nemi ndine nyaya hombe yandinayo
panapa.....

MaiEthan...... Ruvimbo mwanangu chienda Ka kuhuni ndimbotaura nemurume wako uyu,Ruvimbo


akabva aenda zvake kuhuni tikasara tiri vaviri nemwana wangu.
MaiEthan....wawatiiko mwanangu taura nyaya yako ndigotaurawo nyaya yangu ......

Ethan.....amai muchiona ndauya pano ndakaroora amai....

Watiii kudiiiii andina kunzwa...

Ndati ndane mukadzi kumba uko ndakapara mhosva amai,ndakatanga kuvatsanangurira zvese
zvakange zvaitika, zvekut ndakatoona kuti Mai vangu vapererwa.....

Iwe Ethan zvekuti une umwe mukadzi handisi kana Kuda kumbozvinzwa wanzwa ,,,,

Ethan....ndozviripo amai ndakatochata naye mufunge tatova negore rese tichigara tese Ethan
nhasi wandiorora andisi Kuda kunzwazvisina basa mukadzi wako ndiRue uyo aenda kuhuni apana
umwe wandoziva kunze kwake iyeye wanzwa. ...ingawani amai ndikutofara kuti ndakatochata ring
yangu iyi mapics aya andinawo mufone Ayo,,,hehede kunditirera kamusalad ikaka kanoiteiko
ikaka heee manje mukadzi wako pano ndiRue ndiye wandinotamvira chete

Ruvimbo atova negore aripano atova mukadziwo wako......aah mhamha akutsvageiko pano.....
" Hezvo akavinga Ka iwe murume wake ....ngaadzojere kumba kwavo ndakaroora ini.... Unopenga
ere iwewe anonotiii kumba kwavo zvaane gore rese aripano

Ethan.....izvi hazvinei neni izvo amai l love my wife

Iyewawandiudza kuti haachazvare iyeye andidi kana kunzwa nezvake ini....

Ndini ndakakonzeresa amai saka andife ndakamutamba chero mukadiii amai Laura is my life my
everything...ko Ruvimbo heee.

Kwaingova wo kutamba kwevana vadiki mhamha.

MaiEthan......manje Rue ndiye wauchazoroora manje akakutizira kare paye pawakauya akaita
nhumbu yako iwewe Ethan akaszingwa pamba akauya pano

Pakataurwa nyaya yenhumbu Hana yangu yakarova nekuti sure Ruvimbo ndainge ndakarara
naye pandakambouya paye,,,,,

MaiEthan.....Ruvimbo ndoamukadzi wako now akaita nhumbu yako ikabva nestress yawaimupa
andidi zvangu kuti Ruvimbo anzwe mashura aukutaura away,ndakati ndichitarisa kudoor soo
ndakaona Ruvimbo akamira achichema ndakabva ndamudeedza akamhanya achienda,

Uyuwo Ethan akabva angobuda akapinda mumota make akaenda.

MAI MUTANDWA

Chokwadi mwana wangu wandaivimba naye Ethan akandimirira mashura gore rino,munhu
kupedza gore rese asina kumbotsika kumusha azongouya nhas achiti akaroora ,,,,,

Sure angaroore ini Mai vave ndisingazvizive ehe haaah akandirwadzisa mwana wangu,chero dai
aisada Rue aingofsnira kundiratidzaeo musalad wake waakaroora iyeye.

Haaa ndiri pakaoma kani ndaiigonawo erenyaya yakadai dai baba vake vari vapenyu
vauzondibatsirawo kuti ndodiiko pakadai,,,,,,

" Iye Ruvimbo abuda achimhanya ndaizomuudza kutii nhai ndainge ndiri pama1 chaipo ndaisada
kuona Rue wangu achichema achishungirudzika,

Ndakabva ndatanga kutsvaga Ruvimbo paye ndingamuwane ndakatenderera kwese kana


kumuona zvangu mwana wevaridzi...

Nhasi zvangu mwana wevanhu ayendepiko nekuti Mai vake havasi Kuda kana nekumuona kani ,
zvino agoendepikondakutya ini.

Ndakamutsvagakusvika manheru chaiwo kana kuuya zuva iroro andina kana nekubika kwese ndiri
worried ,ko mwana wevanhu akawana chaanowana ndinoti kudiiko kunana dzake.

Ndiri busy zvangu kufunga ndakaona Rue achipinda mumba maziso ake akatsvuka kuti piriviri
akazvimba akabva apinda mumba ndobva nda......
End of chapter 22

Stay tuned
[23/10, 05:45] Mashumba: For Subscribers Only

My promise to you

Please don't share


Story by Cee

App 0713440576

Chapter 23

SABHUKU MUSEVA

Zuva remarooro means wangu takange tine mufaro mukuru ,Shaine afara zvekuti achiti
akuzoroorawo musikana waaida ,,takakoka hama neshamwari takaenda neconvoy yedu hedu.

" Takasvikotambirwa nemashura ,takasvika tichinzi Rue haapo pambaa atotizira zvake , ,,
.Takapererwa kani tskita kunonzi kupopota sure nenguva yese iyi yataigadzirirarooro tizongisvika
tonzi munhu apana.
Ndakanyadziswa chokwadi pamberi pehama dzangu dzandainge ndakoka,nemari yese iye
yataivapa sure votiitira zvakadaro,,,

Takabva mhuri yese yakatsamwa kunyanya mean wangu akareadziwa zvikuru,,,,mai Rue
ndaizovabata chete this time vatanga nevasingatambwe navo .

Takasvika mumba Shaine akangopfuurira muroom make Hama dzedu dzakatsura zvakawanda
kani,takanyadziswa kani zuva iroro.

Vanhu vakazoparsra vakuenda kudzimba kwavo,maiShaine chii chakaitwa neshamwari yako


hee,ingawani wakati zvese zviri right.

Mai Museva....ndakatoshamisikawo nekuti vaitondiudza kuti Rue akabvuma zvese zvri ryt
ndaisaiziva kuti zvichazodai sorry murume wangu ende tanyadziswa wena zvakaoma kani.

Manje gore rino vatambwa nevasingatambwe navo ,shamwari yako ndoda kuti indoor Mari yangu
yese yaakashandisa wanzwa akasadzosera chete bhasopo.

Ndoda kutsvaga kuti Rue wacho akatizira kupi chaizvo achisiya mwana wangu akanaka
saShaine.....
Ndakatanga kutsvaga munhu wekuti anditsvagirewo information yaRuvimbo,ndakatsika maguads
angu Kwa Mai Rue kuti vanopohwa mari yangu yese yavakashandisa.

Maguads akaenda kwamaaiRue vakadzoka vachiti vakuti Havana Mari,ndakavapa time


yekutsvaga mari vakangoishaya chete ndaiziva zvangu zvsndaizoita kumberi uku.

Mazuva akafamba investigator achitsvaga information ndikanzwa kuti Rue akange atizira kuma
Mai Mutandwa ndakangoerekana zvikuru nekuti Mai vacho ivavo vaitozvitamburirawo zvavo
shuwa Rue kungozviwisira ake munhamo achisiya wangu mwana anemari.

Shaine akarwadziwa zvekuti akabva atoronga zvekudzokera zvake kuSA ,,,,,,.

Nguva yekuti maai Rue vandipe mari yakakwana ndakaenda kumba kwavo ini mbune
ndakatovawana angu varipo....

MaiRue ...ma ma maka diiko sabhuku

Musambondimhorese zvenyu pano ndavinga mari yangu....


Um so sorry sabhuku mari andina um giving you another time mukasandipa chete
topedzerana,,,,,ndakaenda kumba kwangu ndakudza Mai mwana vakati ndichisiyana nazvo
ndakvati andivasiye kusvika Mari yangu vabuda vakapusa sterek...

Mazuva aye akasvika ndakadzokera kumba kuye kwamaiRue zvandskaona zvakapfekwa yooh
vakangoti ndipindebmumba ndobva nda......

MAI RUVIMBO

Kubva zvatizira Rue andina kana kuzowana mufaro pamba pangu zuva nezuva ndainetserwa Mari
naSabhuku ,sure zvakange zvakundibhiwa ndaiiwanepiko Mari yakawandisa kudaro yavaindipa,ko
ndaive ndavakumbira ere kana kuti ndivo Vega vaingondipa,,,,

Vaingouya kumba kwangu vachida Mari yacho vachiwedzera time yekuti nditsvage Mari yavo,,,,,

Ndakabva zvangu ndavarongera nekuti ndaivaziva zvangu kuti pamadress vakange


vasongabvepo,,,,

Ndakanyatsoronga tsoro dzangu zvakanaka naka aaah vakange vaindinetsa ini plus nhamo
yakange yandiorora.

Musi wavakauya ndakanyatsotsvaga kahembe kangu kamini kasee thru vakasvika paye ndakaona
rume rakumedza mate,,,,

Sabhuku...nda NDA ndauya kuu....

Matiiko sabhuku ndaidaro ndichitoenda kwavari vaye....

Sabhuku....nda nda NDA ndau....

Ndakabva ndaenda kwavari ndakangovanama nayo kiss eeeh ndakange ndaneta wo ini ndaida so
kurarama good life.

Ndakatanga kuvakisser paye ndakatoona aah sabhuku vatoomugiya wena ndakatanga kuvabvisa
hembe paye ,ndakati shave rangu tabuda paye ndakange ndagarisa sure murume wangu akafa
kare kare saka ndakange ndatowanawo mukana wekumbokweshwa kweshwa,,,,,,,haah
pakashandwa kani zuva iroro Sabhuku kuseri kani vskandishandira zvekuti ndakairidza mhere
ndikati unonyepa ndodawo kuvashandira zvekuti vanodzika chete pano pakashandwa kani
ndakazonzwa rume rakubowa manje nekunakirwa ,ndakavati muchiri kuida ere Mari
ndichiwedzera speed ndakanzwa voti aywa kani uuuu aaah maiwe kani usamire kani uuuum ooh
,,,,,

Ndakabva ndavati Mariko nenyaya yenyu yemari ,,,,,ndaiti usandipe kani maiwe kani
wakundiuraya kani ,,,,,kubva zuva iroro ndakatanga kudanan naSabhuku Havana kana
kuzobvunza mari yavo zvekare .

Vakange vakuuya kumba almost everyday day hapana chandakange ndamushaiwa kani
ndakange ndakamusiya ndigere.

RUVIMBO

Musi wakaita Ethan ndakafara zvikuru kuti murume wangu auyawo,akauya akaita kunonzi kuuraya
mucheno chaiko ko iro zimota raakauya naro rainge rakanaka kani,zvairatidza kuti akawana basa
kune mari nekuti chero ganda rake raive rachinja kani ndakafara kani,

Mufaro wangu wese wakazopera pandakanzwa mashomonaitaurwa naEtham,sure munhu akange


atoroora zvake umwe musikana asiri inini ndakarwadziwa kusvika pamoyo chaipo zuva iroro
nekuti ndakanyatsozvinzwira nenzeve dzangu .
Ndakabva pamba paye ndakamhanya ndakaswera ndiri musango ndichingochena chokwadi
ndakange ndazviparadzira hupenyu hwangu,ndakatanga kufunga mai vangu paye pavaindiudza
ndisingavateereri,chokwadi ndakange ndakaramba vokomana vakawanda nekuda kwake Ethan
nhas uno ouya achiti akaroora chokwadi isu takapanan chitsidzo chekuti tisaparadzane,

Zuva iroro ndakachema ndega kusvika ndazvinyararira ndega ndichingofunga mashoko amai
vangu chokwadi kusateerera kwakaipa kani ndaizodiiko ini kumba kwakange kusisadzokereke
nezvandakange ndakaita ndakange ndapama1 manje ukuwo kwanaaEthan kwaigarika ere iye
murume akatienda nevakangwara,zuva iroro ndakazvidyira kani nekisateerera kwangu ,chokwadi
kana vakuru vachitsura ngatiteererei ndakabva ndatanga futi kufunga Shaine wandainge
ndaramba sembwa chokwadi ndakamurwadzisa kumutiza musiwe maroora paive pakaipa kani ,ko
ndakaiteiko sure ndichisiya munhu akanaka saShaine kudaro ndichida munhu asipo haah Ethan
wakandigona wena,chero kuna Shaine kwacho kuchadzokereka ere aaah pakaipa kani ,,,,

Ndakaswera zvangu ndiri musango zuva iroro andina kna zvangu kudya ndaitoshaya
zvanguzvekuenda kumba kwaisaita kwana Shaine kwaisaita futi ndakange ndisina kana zano.

Ndakazongoona kuti kudzokera Kwan Ethan ikoko ndosolution ko ndichsendepi Ethan iyeye
akuzondiroora chete chero ndikaita second ndaisava nebasa nazvo ndaitomurwira Ethan
ndewangu mhani ndini ndakatanga kudanana naye kamukadzi make ikako kachandiona
chete,ndakazoenda kumba husiku maiEthan pavakandiona vakafara zvikuru vakatanga
kundipukuta misodzi mumatama,dai wo Ethan aindida samai vake Ka chokwadi mumba medu
maigara uri mufaro bedzi bedzi.
Zuva iroro ndakava ignower zvangu, ndakange ndarwadziwa nezvandakaitwa nemwana wavo
ndakapinda muroom yangu ndobva ndazvivhariramo ndaisada kutaura nemunhu,ndakangosvika
nekurara chete

End of chapter 23

Stay tuned
[25/10, 06:57] Mashumba: For Subscribers Only

My promise to you
Please don't share

Story by Cee

App 0713440576

Chapter 24

ETHAN

Pandakaenda kumusha ndakasvikosangana nemashura chaiwo akagochwa , chokwadi Rue


anganditizire ndisingazive kutogara pamba namai vangu achiti aive mudzimai.

Zvakange zvakandiomera sure kuti ndizive kuti akaita nhumbu yacho kana kuti haana ndaisaiziva
in,ndaisamutruster zvangu Rue wacho,,,,,,
Ndakatanga kuchifunga manje kuti ndichadiiko nenyaya yangu iyiii," nekuti Rue akanga atotizira
kumba ndisiko ukuyu ndina Laura uuuum ndiri pakaoma ini ndodiiko kuti nditi Rue adzokere
kumba kwavo zvaisaita futi nenguva yaakange agara kumba namomz ,ende ndikadzinga Rue
vaisatombozvigamuchira nemadiro avanoita Rue ndaive ndakamira pakaoma chaipo ndakafamba
road yese ndichingofunga zano ndichiri shaya

Nadakangosvika kumba ndichingofunga chete ndakatoona zvangu Laura agere zvake


akandimirira.

Ko kunonoka kudzoka anziiko lovie..

Haaah basa kuwanda kudiwa wangu pluz traffic muroad umo ma1 chaiwo ndozvandinonotsa
shaah...

Laura....... Endai mogeza ndikuhadzirirei dinner yenyu......pakanaka rega ndigeze sure ndakaneta
pamwe ndingaite zvirinani.....

Ndakabuda paye ndikageza asi musoro wangu waitenderera nekufunga,,,,,,ndaitoshaya kuziva


kuti ndodiiko chaizvo nekuti ndaisada kurwadzisa Laura.

Aisafamirwa kuziva nezvaRue kusvika tife nekuti akangozviziva chete paisabuda


chakanaka,ndakapedza zvangu kugeza ndikaenda kunodya..

Laura.....kuzonyarara so kwakanaka here mudiwawangu .......kwakanaka kuneta chete sweetie.

Laura. ... wakazotiiko nenyaya yangu.

Ethan.....ipiko sweetie.

Ye adoption ka tosvika rinhi tisina mwana munomu.....


Ingawani takataura tikapedza.....

Kutiiii Ethan muno makudiwawo mwana anenge achumhanya wo mumba achitenderera.....

Haah izvo ndakaramba wani....

Muno mumba makanyanya kunyarara makuda mwana anenge achimhanya mhanya achiita noise
tisvikepi tingori vaviri kudai...

Laura pliz ndisiye ndidye ini peace kana kuti hausikuda kuti ndidye zvaako....

No Ethan hear me out kune vana wakawanda kunze uko vasina vabereki tongotora 1 chete pliz

Ndati no Laura andichengete mwana asiri wangu ini ndisiye wanzwa ,handivhengete mwana
asingazive dzinza rake ini.

Ko zvemadzinza zvine basa reiko nhai....

Ndati no kana ukaramba ivhindinetsa nenyaya iyoyo ndakuenda kunorara manje

Laura....hiii hiii hiii (crying)..pliz Ethan just do it for me um lonely here l need a child...

Eeeh ndaenda kunorara ini handingazvigone ini eeh.

Ndakabuda midinning muye ndisina kana kumbonyatsodya musoro wangu uchitenderera kani
pressure yakadai sure ndaiikwanisa gore rino ndaitostroker chete neBP,zvekuchengeta mean
weumwe murume ndizvandaisada kumbonzwa zvangu,ndakazoona Laura auya kuzorara wo late
aingocbema chete ndakabva ndatonyepera kurara ndisina ,zuva iroro takarara takapanana
makotsi ndakange ndazvipira kungogara naLaura wangu chete pasina mwana coz zvema
adoption izvi zvinonetsa ndaisazvida ini.

Kuseni ndakangomuka zvaaangu nekuenda kubasa ndisina kana kutaura naLaura.


LAURA

Ini chokwadi Ka andichambokwanisa kugara ndega ndakudawo mwana anenge achimhanya


nemba yese achitendererawo muno mumba sure ndofa pasina kana anonditiwo mai ere, chokwadi
ndakazviparadzira hupenyu hwangu ini ,Ethan wacho akandifurira kubvisa nhumbu haadi kunzwa
kana nezve adoption , ndodiiko ini kuti abvume ndaneta nekuina vamwe vaakadzi vachifamba
nevana vavo ini hii hii hii.

Chokwadi kana ndisina mwana muno andimbofa ndakafara chokwadi dai ndakaziva
haitungamire,dai nditonemwana wangu so ndakazvioarira sure, chokwadi nosvika rinhi ndisina
mwana pano ..

Ndakabva ndamukira kwamai vangu kuseni seni....

Mom.......kwakanaka ere mwanangu kwaunouya kuseni kwakadaro

Kungagoipeyiko ndauya Ka kuzokuonai imi amai vangu....waizouya kwadziya Ka nrkutonhora


kwakuri kuita woita kumukira sure....

Ko dady varipo ere ...aaah baba vako vaenda kubasa kare avo anzi hee pane zvandisina kuita
nezuro kubasa....hoo pakanaka amai vangu.....

Kuriseiko kumba kwako mwanangu.....

Kurinani zvako mhamha.....ko wakazoita kunge ukuda kuchema wani,maziso ako ayo akazara
misodzi wani...

Laura.....ndakabva ndaenda Pana amai vangu ndobva ndavambundira ndikatanga zvangu


kuchema kutoiridza mhere zvangu.

Aaaaah nhaiwe Laura kwakanaka kwaunondichemera kuseni kuno," ko zvaita seiko mwanangu
hee.

Ndaneta amai nekugara ndisina mwana pandinofamba ndichiona vamwe vane vana vavo
zvinondibata amai hii hiii hi iii....

Takataura wani nyaya iyoyo ikapera wani woda kuti tidiiko nhai mwanangu apana zvekuita
itozvigamuchira kuti ndozviripo Laura.....

Laura....there is only one solution to my problem...

Solution yipi mwanangu ingogamuchira zvaakitika kwauri mwanangu....

Zvinorwadza amai uchiona vamwe vachifamba nevana vavo ," apo iwe uchinyatsoziva kuti haufe
wakaitawo mwana hiii hiii hiii ndakaiteiko ini Mai kani...
Chirega kuchema Laura mwanangu unondishungurudzireiko andidi kukuona uchitambura
mwanangu solution yakutaura ndeyipiko....

Ndandafinga kuita zve adoption....

Aah what....

Adoption amai kune vna vazhinji variko kunze uko vasina vabereki ndongotorawo 1 ikoko...

Uuum iyi handiipindire taura nemurume wako ,asi usati wataura naaye ndoda kukuudza kuti
varume vazhinji havaide adoption,havasi kuchengeta vana vasiri vavo,,,,,,

Ndosolution chete yandinayo mom kuti ndinziwo amai.....

Ndozvandikuti Ka mwanangu zvonetsa ini chaiye ndakmboda kuiita adoption asi baba vako
vakarambisisa anty wozviziva kuti pandakngozvara iwe mbereko yakabva yaramba Ka.....
Ehe ndozviziva amai imi murinani maksita ini ,ini handina kana 1 hii hiii hii...

Usacheme kani mwanangu taura nemurume wako pamwe anobvuma Ka".

Ndanzwa nekutaura naye ini akuramba amai ndodiiko inini....

Sak kana achiramba unoda kuti zviitwe seiko.

Imbotauraiwo naye mom pamwe anga bvumewo.


Haa nyaya yako yakaoma iyi rega ndizoudza baba wako ndinzwe kuti vanoti kudiii nazvo.....
Zvakanakai amai munenge mgona sure ndoda kuti mungotaura naEthan chete abvume zve
adoption....

Ndakazoswera kwaamsi vangu zvangu ndichivayemera ikoko ndikatozodzokera kumba


kwatodoka zvangu ndakasvika kumba Ethan asati auya zvake ndakabika bika zvinonaka ndaida
kumunyengerera kusvika abvuma chete zve adoption.

Akasvika zvaaakanaka naka ndikamutambira zvekuti akatoshamisika iye kuti kwakanaka ere
takati tapedza kudya ndakaenda naye mubedroom ndikamushandira kwete zvekutamba
,ndakamuchemedza zuva iroro kuita kuzhamba chaiko ndakati chiregai nditange nyaya yangu.

Laura.... daddy makazotiiko nenyaya yangu ndakaona munhu ziii zvake..... Ethan ndikutaura newe
mhani aaah.

Ethan.... shaaah ndaneta ini ndoda kurara usandinetse mangwana ndikumukira kubasa pliz....

Please Ethan let's talk.....


I said no wani ukuda kuti ndirare muno ere kana kuti ndibude.....

Laura..... crying

Ndakabuda mubedroom muye ndichichema ndobva nda...

End of chapter 24

Ethan achabvuma ere zve adoption ndationei muchikamu chinotevera

Stay tuned
[28/10, 21:41] Mashumba: For Subscribers only
My promise to you

Please don't share

Story by Cee

App 0713440576
Chapter 25

MAI MUTANDWA

Chokwadi mwana wangu Ethan akange andiorora shuwa,nemadiro andaiita Rue ka


ndakarwadziwa kusvika pamoyo chaipo.

Sure mwanangu wandakabereka inini oroora ndisingazvizive inini ,haaah Ethan akandirwadzisa
chokwadi kuroora kamukadzi kasingabereke zvako, ndinisvikepi chokwadi ndisina vazukuru ini.

Ethan akandiudza zvese kuti mukadzi wake havazvare akabviswa chibereko,ndofawo ere ndisina
chizukuru chinosara chichikudza nzinza .
Apa panongodiwa plan chete ndingafe ndisina muzukuru ndikaita zvekupusa panapa,Ethan
anotofanira kuroora Ruvimbo chete ndizvarirwe vazukuru Kano.

Moyo wangu uri kurwadziwa nezvakaaitwa Rue wangu nezuro akauya akatsvukisa maziso
akazvimba nekuchema,Ethan anofanira kutoroora Rue chete achida asingade ,ndotombofanira
kuenda kuHarare ikoko ndinotaura naye chete regai ndimuke ndione kana Ruvimbo amuka,,,,,,,

Ndakabuda mubedroom mangu ndakananga kukitchen ndakatoona Rue atopedza basa rese
pamba,,,,,

Ruvimbo.....mamuka seiko amai....

Ndamuka wamukawo mwanangu uriseiko....


Ruvimbo..... ndikurwadziwa amai hiii hiiii hiii nenguva yese yandakamirira Ethan ozongouya achiti
aroora ane umwe mukadzi hiiii hiii hiii haaa Ethan wakandigona wena,wakandibaya panyama
nhete chaipo ndaisaiziva kuti uchandidaro nechitsidzo chatakapanana kuti hatife takaparadzana
hiii hiii hiii Ethan akandirwadzisa amai hiii hiii hiii.

Chinyarara mwanangu zvakatoitika asi tinohwina chete,mukadzi akaroora Ethan haabare saka
ndichatoita kuti aroore iwewe uite mukadzi wake wechiviri.

Ruvimbo.....kuita second wife ndicho chinhu chandaisada ndichikura asi painge pakatoipa kani
chokwadi ndakange ndazvikanganisira hupenyu hwangu

Chinyarara muroora wangu ndiwe chete wandoda zveweHarare uyu andinei naye ini ,ndichaita
chete kuti Ethan akuroore come what may ,,,

Chirega kuchema makhoti wangu andidi kukuona ichochema ini moyo wangu unobva warwadza
kani

Regai ndicheme amai ndipedze shungu dzese kani,,,,,


Ruvimbo......ndakachema ndikanyarara zvangu ndakazobuda ndakuenda zvangu kuhuni...

Ndakati ndichifamba ndakabva ndaona mai wangu,,,,

Ndakavamhanyira ndakasvikovambundira ndichichema.

MaiRue.....ibva zvako pandiri Ruvimbo wakandinyadzisa iwe handid kana kukuona pamberi pangu

Ruvimbo.....um very sorry ndakakutadzirai dai ndakaziva amai ndakakuteererai hiii hiii hii.

MaiRue.....hezvo zvawondityisa nhaiwe chiiko chakaitika mwanangu chaita kuti ucheme kudaro,,,
" NdiEthan amai hiii hiiii hiii....

Akadiiko Ethan,,,,,,

Hiiii hiiii hiiiii amai kani ...

Taura Ka mwanangu chiiko....

Ethan akaroora umwe mukadzi amai wekuHarare,,,,

MaiRue......kkkkkkk hahaha Rega ndiseke zvangu ,ndaikuti kudiii Rue usinganditeerere ini mai
vako uchienda kwaMai Mutandwa uko kunovashandira heee.

Soriiyiii amai ndaifunga kuti Ethan anondida....


Ndakaedza nepandinogona napo kuti Shaine akuroore ukandiita benzi iwewe,kutizira zuva
remarooro,

Wakandinyadzisa zvako Rue andidi kana kukuona for now wakukohwa zvawakadyara mwanangu
waona ka kusateerera kwakunokusvitsa here ....

Ndapfidza amai andichazviite futi ooh puu ndazvipira pasi...

MaiRue....it's too late my dear imbonoita zveimba yako mwanangu watokura sooo ndaenda ini,,,,,

Ndakaieredza misodzi mai vangu vachienda ndakatarisa ,,,

Ndakatsvaga huni dzangu ndikapedza ndakuenda zvangu kumba dhuma dhuma naShaine....

Ñdakada kumuignower asi munhu wacho so akatouya kumberi kwangu,hana yangu yakatanga
kubika manhanga zvino....
Shaine.....apana zvandombokuita ini chandaingoda kukuudza ndechekuti wakandirwadzisa
Shaa,nekundinuadzisa chaiko pamberi pehama dzangu dai wakandiudza zvako pane
yawakanditamba iyi .

Ruvimbo......um very sorry Shaine forgive me um paying for my mistakes .

Ndakakuregerera kare zvangu next week ndikudzokera SA usare zvakanaka I've nehupenyu
hwakanaka ndaenda ini.

Ndakasara ndichiidonhedza misodzi ndaifunga kuti nhasi ndichapopoterwa ndichirohwa asi


hazvina kudaro, chokwadi ndakange ndatambisa zvangu mukana wekuroorwa nemunhu
wakanaka ndichimurira benzi raive Harare.

Iiih zvakatoitika hapasisina yekutamba apo ndakungoitawo zviripo,,,

Ndakazosvikawo kumba ndakaona amai vakutobika zvavo,,, Vakabva vatanga kuronga


zvekuenda Harare kunowona mwanakomana wavo
MaiMutandwa.....ndikutoenda kuHarare ikoko kupera kwemwedzi anonondiona Ethan ikoko
ndombonz aniko ini. achatokuroora chete mwanangu chirega kuchema ndozvigadzirisa izvo
murume ndewako uyu.

LAURA

Ethan aindida zvisina kana mubvunzo asi nyaya ye adoption akange asingade kana kuinzwa
ndakamboedza nepese pandinogona napo kuti abvume asi zvakaramba.

Ndakamboedza kuti vabereki vangu vataure naye asi akarsmbisisa chero baba vangu zve
adoption vakange vasingade kana kuzvinzwa ndakazozvigamuchira angu kuti ndichagara ndisina
mwana muhupenyu hwangu chokwadi ndakazvitambisira hupenyu dai so nditone mwana wangu
so,l have to educate young girls out there the dangers of abortion andidi kuti zvakaitika kwandiri
zviiteke kune vamwe vasikana kunze uko,

I have to educate them kutangira kuSecondary school chaiko , doda kutobata mazera ese
,ndakapotsa ndafa kani nezve abortion izvi,,,,
Ndakatanga kuenda kunaHigh Schools ndichidzidzisa vana vese nezve madangers e abortion
apana kwandakasiya kani kumacolleges, Universities etc,,,,

Ndizvo zvakange zvakutondipa mufaro muupenyu hwangu kunatsira vanasikana vanenge


vamitiswa ne kufighter agaio child marriage ,,,,,

Zve adoption andina kuzozvitaura zve kuna Ethan takange tane macompanies edu matatu ,Aiwa
murume wangu aishanda nesimba kani...

Mumba medu waive mufaro wega wega ,asi chakandinetsa Pana Ethan akange asingade kuti
ndione Mai vake ,,.

Zvaigara zvichingondinetsa kuti sei asingade kuti ndione Mai vake chaizvo...

Nguva yareba iyi zvakuda kuti ndichizivawo Mai vake ,this tym toenda tese chete kunovaona..

Ndiri busy kufunga zvangu Ethan akabva atopinda zvake,,,,ndakatanga kutaura zvekunoona Mai
vake ndakunzwa munhu akuti akaneta akuda kumbozorora....ndakati unonyepa iwe ,,, ndakatanga
kumunetsera kunoona mai vake,,,
Tiri busy kunetsana ndakabva ndanzwa knock padoor....

Ndakaona pachipinda umwe mukadzi wechikuru tisina kana kumboti come ini...

Ndakanzw Ethan oti mom

Laura.....what.

Ethan.. mom what are you doing here

End of chapter 25

Stay tuned
[29/10, 10:38] Mashumba: For Subscribers Only
My promise to you

Please don't share

Story by Cee
AKA

Mashumba

App 0713 440 576

Chapter 26

MAI MUTANDWA

Ndakati ndichisvika muHarare ndakaona machinja zvekuti ndakange ndakapedzisira kumuuya


murume wangu achiri mupenyu , chokwadi nhamo yainge yandirova chaizvo kubva ndashayawo
mari yekuti ndipindewo muHarare shuwa zvainge zvakaoma chokwadi.
" Ndakabva ndananga angu pamba pemwana wangu ndakaona address yake pabussiness card
raakadonhedza mudiwa akauya kumusha,

Ndakati ndichisvika pamba pake Hana yangu yakarova kani ndakatya nezvandakaona rino zimba
zihombe rakanaka,ko ipo pamba pacho ndapanake mufunge.

Aaah asi mwana wangu akaromba ere kubva aita imba yakanaka kudai ko idzo mota kueanda
pamba pacho yoooh mwana anenge akaromba chete uyo nenguva diki diki yaapinda muHarare
atopfuma kudaro.

Manje ini handina mwana anoromba ndoda kutozvipedza chete ,,,,,,

Ndakapinda mumba muye ndisiya kana kumbonoka zvangu ndakange ndakashatirwa kani
chokwadi mwana wandakachengeta ini ndichitambura ondisiya kumusha ndisina chandinacho
achitoita madiro a Georgina zvake.
Ndakati ndichipinda soo ndakaona imwe tsvarakadenga yakagara zvayo nemwana wangu
,mwana akange akanaka zvake iyeye jealousy down chero Ruvimbo wandaiti akanaka aisara
nekure chaiko mwana yaive ngirozi zvake iyeye asi kunaka kunodyiwa ere regai mwana wangu
akawira akasejuswa chete mwana wangu uyu aitizirepi asangana nezvakadai.

Asi ndaida kuzvidira jecha zvese izvozvo atidye kunaka pano toda vazukuru chete.

Ndakapinda paye Ethan akaita kunonzi kushamisika

Ethan....mom

Laura...what.

Mai Mutandwa.....ehe ndini waiti handisvike ka pamba pako manje nhasi ndauya
Laura....pindai zvenyu mhamha titambire," ndakabva ndavambundira paye..

Mai Mutandwa.....hezzvo

Ndakabva ndavambundira paye vachibva vandipushira kure...

Chiiko icho Ethan heee ndokamukadzi kawaiti wakaroora ere aka .

Ethan....ndiye amai meet my lovely wife.

What iyeyi ere vakadzi vemumba ere vakadai ava hee wange washayeiko kunditirera musalad
akadai heee..

Laura.....makadii enyu mhamha.


Mai Mutandwa..... Silent

ndati makadiiko amai

Amai wako ndiyana hee ndiudze,ndiwe Ka wakadyisa mwana wangu uyu,une chokwadi kuti
ungabvume kuroorwa ini mai vaEthan ndisipo,handimbofe ndakakuregerera wanzwa.

Laura... sorry amai zvakakanganisika kani ndiregererewo ndai edzs nepese pandinogona napo
kuti ndiuyeko asi mwana wenyu uyu ndiye ayiramba.....

Zvipiko wakatodyisa mwana wangu iwe kuti asandichengete ndakuona manje plan yako haife
yakabudirira ukundinzwa ere iwe.

Laura....Handin......
Nyarara uko kana ndichitaura vana vemuno muHarare hamuna hunhu munotaura kana vakuru
vachitaura sei.

Haauna hunhu iwe ,iwe Ethan ndakati kudiiko nenyaya yekuroora tusikana twemuno muHarare.

Ethan...mom please

Mom pliz pliz chiiko iwe heee ,ndakaita kuti muuye muno kuzoita zvechikoro wakundiroorera
kamusalad kako ako kasingazvare hee.

Laura....hii hii hii (crying) akabva abuda zvake kuenda mubedroom achichema.

Ethan....mom please madarireiki mom Laura is still recovering from that imi makuisa salt paronda
rake futi,l beg you in the name of God please regai kuita zvamukuita izvi uye pliz pliz pliz
musaudze Laura nezva Ruvimbo ndapota angu,andid kuona Laura achichema she is my life,
Ko Ruvimbo chii chako hee,wakasiya wamuitisa mimba kumusha uko ukamutiza uchindiroorera
kamukadzi kasingazvare..

Amai ndakakuudzai zvakaitika imhisva yangu yese iyoyo hayisi yalaura iyi.

Whatever .

Ndakuenda kuna Laura mom mamurwadzisa.

Mangwana chaiye ndoda kuzotaura newe ndine nyaya hombe chaiyo zvekuti chero
kubadabkwako womborovha nekamukadzi kako ako ndoda kutaura nyaya yacho asipo
ukundinzwa ere mwanangu.

Ehe momz asi kana dziri nyaya dzaRue ka ameno.


Ethan..... ndakapinda mubedroom ndakaona Laura achiita kunonzi kuchema.

Um so sorry Laura nezvaita amai vangu.

Laura... Mai vako havandifarire Ethan.

I know asi unofanira kuita kuti vakufarire Laura try by all means kuita zvavanoda vsnopedzesera
vakukuda,Mai vangu is a good person kungobhowekana chete nekuti ndakaroora ndisina
kumbovaudza

Laura.. okay my love l will try by all means kufadza Mai vako ....l mean Mai vedu

Ethan...yes that's the spirit.


Laura....ndakabuda zvangu ndikaenda kukitchen ndikavabikira food yakanaka.

Laura...amai ndatoenda kubika gezai maoko mudye..

Mai Mutandwa....ndakageza maoko paye aah ndiwe wabika ere izvi musalad.

Ehe ndini amai regai ndinokugadzirirai pamunorara.

Ndakasara zvangu ndikadya chikafu chandakange ndabikirwa nemusalad waEthan chainaka sei
ndakaita kunge ndichazviruma rurimi Ka,,eeh iye musalad wacho zvaanotogonawo kubika nhai
weduwe regai tione kani akanga fanane naRue wangu haah kana ,,

Mapedza ere mhamha...

Ehe ndapedza ini hope chete ndakuda kurara ini..


Laura ....ndatokugadzirirai pekurara amai huyai ndikuratidzei...

Ndakati ndichipinda mumba muye maihwe zvangu makange makanaka kani kunge ndaenda
America chaiko ,zvese zvaivamo zvakange zviri zvemhando yepamusoro chete..

Laura.... bathroom iri uko amai kana muchida kugeza enyu kukuoisa uku pamwe Moda kuzvidira
dira mvura ...

Wazvita mwana ngu toonana mangwana.

Ndakapinda zvangu mubathroom miye ndikageza ndakange ndatsva zvangu,matambiriro


akandiita Laura wacho ndiwo akange akundioedza Simba rese rekuti ndimuitire zvakaipa.regai
ndione pamwe Ari kupretender kuita zvakanaka ..

Laura....ndapedza Ethan ndavaratidza kwekurara..


Pliz iva nemoyo murefu namai vangu l know wachakuda kumberi uko ramba uchingovaotura
zvakanaka chete uone zvako.....

Ndichaedza mudiwa wangu kuvafadza ,pese patichagara navo ndichavataridza rudo chete..

Ethan.....ndosaka ndichimuda iwewe...

Neniwo shaa ndokudisa...

Ethan akabva auya pandiri ndobva chatotsva kani ndakazomuka zvangu makuseni ndichiita basa
rangu zuva iroro ndaisada angu zvekuenda kubasa ndaida kuswera navamwene vangu.

Mamuka seiko amai..

Ndamuka wamukawo mwanangu..


Ndaida mvura yekugezs amai..

Hezvo ndomukira kugeza kuseni kuno kuti zvadiii gezai imi vana vadiki ndisiye zvangu ndozogeza
kwadziya ini...

Laura....aaah zvamai asikana...

MaiMutandwa......saka une makore manganiko nhai mwanangu ...ndine 20 ndakuda kuturner 21..

Hezvo zvauri mwanana,ko waibvumireiko kubvisa mimba nhai mwanangu.

Laura.... silent

Ndikutaura newe Ka pindura..


Ethan... morning mom

Morning mng chii chacho here ndisiye ndimbotaura nemusalad wako uyu...

Pliz mum musataure nyaya idzodzo ndapota angu..

Laura...achichema ndakumboenda kumba Ethan ndozodzoka manheru..

Ethan...ko chii Laura

Pliz let me go ndodzoka manheru ..

Okay love udzoke andidi kukushaya

Mai Mutandwa...ihede rudo ere urwu wakuenda wandibikira ere iwe...

Laura.....ndisiya ndabika amai.ndaksiya zvangu ndavabikira Mai nemwana ndobva ndananga


angu kwamai vangu ini ndini ndadii
Ethan....mom zvamukuita Laura andisi kuzvifarira zvangu ini Laura is my wife ndomuda akadaro
Ka ini,mwana or pasina mwana l love mom

Nyarara apo love love love,inodyiwa ere love yacho iyi heee.

Yaah Laura zvaaenda zvakanaka pane nyaya yandoda kutaura newe...

Taurai tinzwe amai..

Ndoda kuti uroore Ruvimbo site second wife yako ..

Ethan ... what.

What kuti kudiiko wandinzwa iwe..


Andife ndakaita zvakadaro ini Due andichamude ndakatoroora inini.

Ndoda vazukuru ini woda kuti ndife ndisina kuona vazukuru vangu ere mwana iwe...

Zvevazukuru zvakatoramba amai apana mukadzi wandinoroora ini Laura chete ndiye mukadzi
wangu.

Ndoda kuzviona chete izvozvo manje Rue ukuzomuroora chete uchida usingade

Ethan..l will do no such thing .

Hoo kutonditaurira chirungu ndoda kuzviona izvozvo..

Ethan.....ndakabva ndabuda paye ndakasiya amai vachipipota ndobva nda...

End of chapter 26

Stay tuned
[29/10, 21:42] Mashumba: For Subscribers Only

My promise to you

Pliz don't share

Story by Cee

AKA
Nashumba

App 0713440576

Chapter 27

ETHAN

Akange ari ma1 angu chokwadi Mai vangu vakange vandiisa pakaoma chaipo,ndoita seiko
nenyaya iyi ndapererwa ini ndodiiko,chokwadi Ruvimbo ndakamukanganisira wo fut ukuwo Laura
nepaside aaah gore rino ndinostroker chete neBP ndiri panguva yakaoma ini,,,,,

Zuva iroro kubasa handina kana kumboshanda kani ndichishaya zano chairo ndakabuda muoffice
mangu ndakananga kubhawa chaiko ,ndaida kunwa 1 or 2 mabhodhoro edoro ndidhakwe
ndimbokanganwa nhamo dzangu .
Ndakaenda ndakanwa zvangu doro ndakasvika Kumba ndakadhakwa,,,ndakaona mai vangu
vakatomuka zvavo vakafara naLaura vakanyarara kuti ziii vese kunge musina vanhu..

Ethan....(achidzedzereka)aaah makanyararireiko muno mumba heee michajairana enyu kkkk


amwene nemuroora kkkkk hahahaha amwene nemuroora kkkkk Laura Mai vako avo vajaire
kkkkk,imiwo mai muroora wenyu uyu mutambirei mudei mumugamuchire ndiye wandakada iyeye
amai kkkkk danai muwirirane mufarirane ndaenda ini gud nyt ..

Ndakangosvika nekuvata nebhutsu dzangu mumagumbeze,,,,,

" Zuva iroro ndakatorara zvangu sekacheche ndakatozovhunduka ndakumuyswa naLaura iue
atopedza zvese akuda kutoenda kubasa..

KO hauna kundimutsa sei hona ndanonoka kubasa.

Iiih ndakumuyswa kakawanda usingamuke anty nezuro wakandisiya panapa namai vako uchiziva
kuti hatiwirirane,,,,,
Aah sakawoda kuti ndiite seiko Laura ndochema here tambai mese mujairane zvenyu muri vaviri
ndazvitadza ini...

Laura...(crying)ndikuedza Ethan asi zvikuramba Mai vako vanondiona semunhu akashata Ethan
asi pane munhuwavaida kuti uroore ukaramba kumusha kwenyu ere

Ethan.....pakataura Laura hana yangu yakarova ayehwa kani mudiwa ramba uchiedza kani
zvinoita my mother is a good person kani..

Laura.....if you say so ,ndasiya ndavaitira zvese ndavabikira inini nhasi ndikuenda kubasa..

Ethan...Wadiii kumbosara majairana namomz....

Tsek iwe Ethan usade kundinzwa wanzwa yakabva tatanga kutemana nemapillow paye haah
Laura mwana uyu aindipengesa zvesure,,,,

Ndaenda ini wozotevera remember une meeting na2 pm don't forget ndakabva zvangu ndabuda
mumba muye ndichimhanya ndakabva ndasangana namhamha .
Laura....makukaseiko amai...

MaiEthan.....tamuka apa vainditarisa kubva kumusoro kusvika kutsoka chaiko ,,,,aaah nhaiwe
muroora chiiko chawakapfeka icho ...

Laura .....zvamai asikana

Ukuendepi uchindisiyabpamba pako ndega pakakura kudai ndosara ndichibikirwa nani varoora
vemazuva ano munonetsa imi,mozoti heee ana amwene vanonetsa murimi monetsa Ka.

Laura...kana amai ndakubikirai zvese kani ndingasiye ndisina kukuvikirai ere ini muroora wenyu
,chikafu chenyu ndachiisa mufood warmer umoo kana makuda kudya mongotora imomo chinenge
chichipisa chero pamunozodya...

MaiEthan ......heya pakanaka muroora wangu..

Laura...what
Ndati pakanaka mwanangu chienda kubasa kwako ikoko kwawachenera kudai musalad wa
Ethan..

Laura....zva amai asikana ndokuonai ndadzoka ndokurumidza kudzoka nhas.

Ndakabva ndatobuda zvangu kuenda kubasa ndakasiya Ethan naamai vake yooh ndiye aivagona
chete ..

Ethan....makukaseiko amai..

Mom.......ziiii

Ndokuti makukaseiko Mai vaEthan.....

Mom....usangondimutse zvisina basa apa huya timbogara pasi titaure sevanhu vakuru
ukasanditeerera nhasi tobva tatogura hukana wanzwa...
Ethan....ndokwazvasvika ere amai vangu...

Ehe ndokwazvasvika haunzwe iwewe zvese zvandiakuraira apana kana 1 chawakateerera asi
kundiudzira musalad pano...

Ethan....akaipa ere Laura amai taurai Laura arikuedza nepaanogona napo kuti mumufarire asi
imimi wacho hamusi kutomboda zvese izvozvo.....

Mom...... Laura ndagara naye mazuva mashoma shoma asi ndoona sekuti munhu kwaye
wakagonakusarudza mukadzi mwangu anondibata samai vake chaivo..

Ethan ....mapaona ka amai .

Ehe Laura is a good woman just like Ruvimbo ,let's make a deal ends handimbofe ndakaudza
Laura nezvaRuvimbo ende ndobva ndatambira Laura wacho wakangobvuma chete..

Ethan ... taurai tinzwe deal racho amai..


Mom...eeh mwanangu ndoda kuti kupera kwemwedzi uno unoroora Ruvimbo.

Ethan ....what

Iwe Mira kutaura ndipedze mhani dzungu woriwanza iwewe..

Ndati ndoda kuti uroore Ruvimbo Laura asingazvizive woita vakadzi vaviri Rue achigara kumusha
na Laura achigarawo muno muHarare.

Asi tinofanira kuti Laura asazvizive chete ndikuda vazukuru ini chete mwanangu ,zvekuparadza
marriage yako zvandainge ndavinga ndarwga Laura is a good woman..

Ethan .....achitaura befu

Uum nyaya yenyu yakaoma amai ndoda kjmbofunga nezvayo ..

Itokurumidza kufunga zvako ndakuda kudzokera kumusha kwangu wanza...


Ndazvinzwa amai ndichakuudzai mangwana ndambofunga amai

MAI MUSEVA

Mwana wangu akareadziwa naRue zvakandirwadzawo neniwo ,sure munhu kutizwa musiwe
marooro ake ere haah zvakandibata sure,mwana wangu kuita chiseko chenyika nekuda
kwaRuvimbo chaiye haah zvakaoma hazvo.

Regai ndimbobvunza bamwanaa kuti vakazodiiko nevanhu Ava...

Maswera seiko bamwana...

Taswera kani mudzimai wangu...

Ko nhai mudiwa wakazodiii nenyaya yanamaiRue....


Nda NDA nda...

Ko kundandama hanziiko bamwana asi hazvitaurike ere vakazokupai ere Mari iye..

Vakangondipa shoma chete imwe havasati vandipa .....

Saka muchadii navo nhaimi nguva yarebesa...

Don't worry ndichadealernnavo ndombonzi aniko ini hee,izvozvi ndakutobuda kuenda ko


ndinonzwa kuti zvapapi..

K bamwana endai mozondiudza kuti zvakamira sei nekuti havadi kuregererwa vanhu ivava
vakarwadzisa mwana wangu nanhasi zvinondirwadza kani,,,,,

Sabhuku vakabuda vakaenda kwamai Rue ..


Ndakange ndisina zvangu zvekuita ndobva ndati regai nditevere murume wangu ndinoona kuti
nyaya yacho yapapi chaizvo.

Ndakapinda muroad nemota yangu ngakangoona pane mota yaChief chete,,,

Zvakandishamisa nekuti kwese kwavaienda vaienda nevashandi vavo ndakasvika paye


ndikatanga kunzwa tumasounds ndakafamba kuenda kudinning ndakatanga kunzwa mashura
chokwadi,ndakanzwa chief vachiita kuchemerera chaiko kwekunakirwa kuye,apawo
ndakanzwawo maiRue vachiiridza mhere ndakati ndichipinda mumba soo ndakaona murume
wangu chaiye Ari pamusoro pamai Rue ndobva nda.....

End of chapter 27

Stay tuned
[30/10, 10:16] Mashumba: For Subscribers Only

My promise to you
Story by Cee

AKA

Mashumba

App 0713440576
Chapter 28

MAI MUSEVA

Ndakati ndichipinda mumba muye ndakaona murume wangu chaiye ari pamusoro pamaiRue
achiita kuchemerera nekunakirwa ivo maiRue vacho vaiita kuridza mhere yaivharira imba
yese,haaah ndakapera Simba rese ndakagara zvangu pasi kuti vapedze zvavaiita .

Vakange vari busy kani ,ndakawadziwa kani rume rainakirwa kani kuita zvaasingaite kumba neni
,ndakasiya zvangu kuti vapedze vakatora chinguva kani vachikikiritsana , vakati vapedza
vachicheuka vakandiona ndakamira vakanyara zvekuti.

Sabhuku.....youu

MaiRue ..aaah yo you


Yes me bamwana mandirwadzisa ndaisaiziva kuti ndozvamuri kuita Ka ini kurara nemukadzi uyu
ane mwana akatadisa mwana wangu ere

MaiRue ndaisaiziva kuti Uri hure kudai ndakaenda kuna maiRue ndakatanga kuvarova
ndakavazvambura kwete zvekutamba ndakamusiya ati rapata,next time haudanane nevarume
vevanhu wanzwa.

Ndakati ndichicheuka kudai ndakaona sabhuku vasisimo...

Mai Museva.......ndakakuona futi une murume wangu Ka panorohwa munhu kani

MaiRue....so so sorry sa sahwie..

Sahwira wako ndiyani undisiye wanzwa benzi remunhu uri mbwa chaiyo muroyi chaiye,ndosaka
mwana wako akazorasiswa wo ....
Ndakabuda ndakananga kumba ndakaona sabhuku vasati vauya .

Ndakavagarira zvangu mubedroom ndaida kupedzerana navo vakasvika kuma12 vasati


vauya,,,,,,,

Vakazauya kuma1 am ndakaona munhu achinyahwaira,ndobva ndabatidza light,,,,

Mukubvepiko baShaine heee,,,,,

Vakabva vapfugama ," sorry mukadzi wangu anditombozive zvakaitika ndiregererewo kani ...

I will never forgive you pane zvawakaita izvi wanzwa uri mbwa , benzi remurume ungahure
nemukadzi and mwana akarwadzisa mwana wedu sure ,chiii chandisingakupe pano here taura
ndiudze ndinzwe......

Hapana ndakangokundikanawo ndiregererewo mukadzi wangu ndokuda kani ,,,,andichazviite futi


handichaende kwamaiRue puu ndazvipira pasi kani ndivo vakandisejusa ...
Haiwawo kisejuswa kudii kwacho ndiwe waizvida iwewe,,,,

Benzi remunhu wandirwadzisa wandindibhowa kani upote uchirara zvako muguest room umo
andirare netsvina yakaita sewe,,,,,

Muguest room vana vanozoti kudii ko ndorara angu pasi sorry mukadzi wangu kani,,,,

Zuva iroro vakarara pasi ,ndakapedza mazuva ndisingataure navo tichipretender pamberi pevana
nevashadi ,,,,,,

Ini ndairara pamubhedha ivo vachirara zvavo pasi ndakatanga kuvateerera


Ndichida kuona kuti havasi kuenda futi kwamai Rue ere

Ndakatsvaga munhu anovateerera ndakatozoona kuti zveshuwa havachaendiko ,,,,,

Vakaramba vachikumbira ruregerero kusvika ndazovaregerera zvangu,takazotanga kuwirirana


zvakare.
Zvemari yekwamaiRue takazosiyana nazvo takavasiya vakadaro takaenderera mberi nehupenyu
hwedu tichizvifarira nemurume wangu

ETHAN

Mai vangu vakange vandiisa pakaoma chokwadi ndaitofanira kuroora Rue kuti Laura asazive
nezvaRue,ndikasadaro chete Mai vangu vaiudza Laura zvese ndikazorambwa nemudiwa
wangu,,,,

" Zvaive nani kuti ndiroore zvangu Rue oita mukadzi wangu wechipiri pane kuti ndiruze Laura
wangu ,,,,,,,

Haaa ndiri panguva yakaoma ini ndodiiko .

Zuva iroro kubasa handina kana kumboshanda kani ndichingofunga chete,andina kuona kuti
kwadoka sei zuva iroro ndakaona mai vangu vakandimirira vachida mhinduro ,,,,,,,
Zvaive zvakatooma kani ndaive pama1 chaipo..

Mom.....wazoti kudiiko nenyaya yangu..

Amai pakaoma ndazobvuma angu kuroora Rue wacho..

Ulululululul ndafara kani mwanangu wandigonera ende Rue anosvikofara kani .

Ethan....asi ini moyo wangu ukundirwadza..

Uchafara ako kana Rue akuitira mwana,,,,,,

Ulululululul ndiri busy kuridza mhurururu nekutamba Laura akabva apinda paye ...
Laura.....aaah nhasi mhamha mukufareiko kudai.

Mom....ndiku ndiku.

Ethan.....vakufarira cousin yangu yasununguka mwana mukomana ....

Laura ....hoooo pakanaka kani weduwe makorokoto kani amai..

Ndeedu tese kani muroora wangu ,nhasi ubike zvinokaka timbopemberera mwana mutsva uyu...

Pakanaka amai regai ndiende zvangu kukitchen...


Mom...ta2manje ngatichirongei manje kuti unoroora zvarinhi...

Rongai imi amai ini apana chandoronga ini...

Okay Ruvimbo womuroira next month wanzwa ndipo paunkuya wega kumusha wanzwa ka.
,tiri busy kuronga takanzwa Laura oti," ndiyani iyeye akuda kuroorwa next month..

Takangotendeuka tese ndobva nda......

End of chapter 28

Stay tuned
[30/10, 11:39] Mashumba: For Subscribers Only
My promise to you

Story by Cee

AKA

Mashumba

App0713440576
Chapter 29

LAURA

Ndiyani akuroorwa mhamha next month...

Ethan...... cousin yangu ine mwana iye ndiyo ikuroora lovie next month...hoooo Inga aitirwa
nyasha nhaimi

Mom.....chokwadi nyasha chaidzo mwanangu,,,,kuswera mangwana ndikudzokera kumusha


mwanangu ...

Aaah mange matotiona nguvai amai ndichakusuwai amai...


Neniwo ndichakusuwa mwanangu womboitawo uchitishanyirawo kumusha uko,,ndichauya amai
zvandakuonai so zvanaka amai....

Laura....amai vakazongotanga kundifarira zvekuti ndakashamisika takange takuwirirana zvekuti


namai vamwene vangu .

Takange yakutaura nyaya chaidza saamwene nemuroora tichinzwanana kani izvozvo benzi
zvakandipa mufaro mukuru muhupenyu hwangu...

Ndakatorwadziwa kuti Mai vakange vakuda kudzokera kumusha sure vachitisiya tega....

Madii kunouya kuno amai mangogaara kuno tokuchdngetai mosiya zvekugara kumusha..

Aaah mwana wangu hazviite musha wandakasiirwa nemurume wangu hazviite kuti ndimusiye
mwanangu....aaah Inga zvakatooma amai ,zvakuda wo ka isu vana venyu tichikuonai
nekumuchengetai muri padhuze ka amai,,,,

Haah pakaipa mwanangu Rega ndichengete musha wandakasiirwa uyu hazvizobude mwanangu..
Ndakunzwai zvangu amai pakanaaka kani ,namai vangu yakange towirirana kani ndakazobuda
zvangu ndoenda kubasa ndaida kizotengera amwene vangu grocery..

Ndaenda ini amai ndokuonai manheru ,,,zvakanaka muroora

Ndakaenda zvangu kubasa ndakatengerwa amwena vangu grocery raitogona kupedza gore
chairo

MaiMutandwa..... Laura paakabuda takasara toronga zvemarooro aRuvimbo tikapedza Ethan


achibva aenda zvake kubasa,,,,,,,

Ndakasara ndikafonera Rue wangu akafara zvekuti akati akutoenda kunoudza amai vake
vatogadzirira zuva guru,,,,

Manheru akasvika ndikaona Laura auya nerino grocery,chokwadi mwana uyu aive nemoyo
wakanaka sure nezvandaimuita ini ondiyengera grocery yakawandisa kudai,nehembe nehembe
fut ipapo,,,,,iiih waita basa mwanangu ugare kure nemoto ,,,,uchitendeiko amai iduty redu isu vana
kuti tikuchengetei....
MaiMutandwa.....moziva ndakangotanga kuyerera misodzi nezvandakange ndaitirwa naLaura uyu
wandaisada sure ,Mwari ndiregererewo chokwadi..

Ko makuchemeiko amai....rudo rwako mwanangu ndorwandichemedza urambe wakadero


mwanangu usachinjiswa nemunhu ukundinzwa ere mwanangu,undiregererewo pane zvose
zvandakakutadzira mwanangu...

Aaah zvamai asikana ndakatokuregererei kare Kate ini.....ndotenda mwanangu God bless you
wanzwa ....

Ndogamuchira amai ,,,,

Ndichakutsvagira tax ichakusvitsai kumba kwenyu amai....


Zvakanaka mwanangu unenge wagona ,nhas ndini ndafanobika usazvinetse ako nekubika.....ko
maitireiko izvozvo amai ndobika inini mungabije ndiripo ere amai .....aaah unouya waneta iwe
kubva kubasa saka ndati ndifanobika zvangu umbonzwawo ruoko rwaamwene vako ....

Maita basa amai takazotanga zvedu kudya tichiseka tichifara tiri vatatu zvadu , mumba medu
naEthan wakange uri mufaro bedzi...

MAIRUVIMBO

Haaah ndakarohwa namai Museva ndakakuzvara zvisingaite ,ndakaedza kufonera Sabhuku asi
fone yavo yaisaita ndakapedza mazuva mazhinji ndichizvitiva maronda kufamba chaiko
ndaisanyatsogona zvangu ,,,

Ndakaedza kufoner,kusender msg kana kupindurwa zvangu ndakazotoona kuti vakandiblocker


zvavo ,ndakatanga manje kuchitambura zvino mari yandakange ndapihwa naSabhuku yakasvika
pakupera ndakadzokera munhamo yangu.
Ndakamboedza kutaimira Sabhuku asi vakange vasina basa neni vakange vatopedza neni
ndakarwadziwa mufunge ndakatanga kuchiita maricho manje kuti ndikwanise kurarama ,ndipo
pakazosvikawo Ruvimbo.

Ruvimbo..... makadiiko mhamha ,aaah ko ichokwadi kuti makaeohwa namai Museva...

Ichokwadi mwanangu ameno vakavanyepera kuti ndikudanana nemurume wavo nhai,vakauya


pano vakandirova ufunge chero kufamba chaiko ndange ndisingagone ini waindiona ndafa
mwanangu.

Zvazara muvillage mese umu amai anzi Sabhuku akatoonekwa achibuda muno mumba asina
kupfeka achitiza,,,,,,isazviteerere izvo mwanangu manyepo ega ega ayo vaida kundiurayira nyaya
yako iwewe hiiii hiii hiii anzi wakarwadzisa mwana wavo....aaah Inga zvakaoma amai soriyi enyu
mhamha ndakadzidza kuti kusateerera kunokuendwsa kuna taisireva sure sorriyi Mai vangu kuba
nhasi ndichange ndakukuteererai ndakarwadziwa kani amai nezvakaitika asi ikozvino ndave
bho....

Muno hamuna kana chekubata mwanangu dai ndatokuona chikafu soo,,,,

Ndakaguta ini amai ndauya kuzokuudzai kutiEthan akuuya kuzoroora next month chaiya..
Ulululululul ndafara kani mwanangu ndakanzwa kuti anemari zhinji Ka uyu,,,ehe amai mukadzi
waakaroora iyeye anemari kani...

Ruvimbo......but pane arrangement yakaitwa amai.....

Aaaah yekutiiko mwanangu..

Ruvimbo....yekuti hatifanire kuzivana namaiguru ivo vanoita zveHarare iniwo ndoita


zvekuno,kutaura kudai first wife yake haisi kana kumboviziva zvese izvi....

Aaah mwanangu ndiwe wabvuma zvekugara kumusha umwe achifara Ari kuHarare kuchirungu
uku,,,,

Amai ini handina basa nezvakawanda ndongoda murume wangu chete ini zvimwe zvese izvo
kana basa nazvo zvangu..
Watotanga so mwanangu Rega utange waroorwa ndozokuudza zvinoitwa wanzwa haungagare
kunoku umwe Ari kuchirungu Ka..

Haah tozozviona amai haatimborongei nezvemarooro angu kani

Okay ndazvihwa mwanangu ,takatanga kukuronga oaye nekunyora vanhu vataida kuti vazovepo
pamarooro angu

Ndakange ndine mufaro mukuru kani ndakasiya ndaitira amai vangu basa ndikavapa kamari
kandaive nako kuti vasarewo vachibatsirika

Amai ndakuenda ini ndokuonai kana amwene vangu vadzoka kubva Harare ndimbouya kuno
kusvika ndaroorwa tichironga......pakanaka mwanangu wandigonera ndombodyawo muriwo
unemafuta nhasi nhamo yacho yanyanya kani ..

Ichaoera zvayo amai ndaenda ini .....


Ndakasvika zvangu kumba ndikatanga kubika zvangu chikafu chemunhu 1 ndipo pandakaona
amwene vangu vachiuya ndakavamhanyira ndobva nda...

End of chapter 29
[30/10, 21:31] Mashumba: For Subscribers Only

My promise to you

Story by Cee
AKA

Mashumba

App 0713440576

Chapter 30

RUVIMBO

Ndakabva zvangu kwamai vanhu uri mufaro bedzi bedzi ,ndakasvika angu ndakabika kasadza
kemunhu 1 ,ndaisaiziva kuti amwene vanhu vanodzoka rinhi ,ndakati ndapedza zvangu zvese
ndakuda kutoenda kunorara ndipo pandakaona amwene vangu vachitosvika zvavo,,,,,

" Ndakavaona vachiburuka mune imwe mota so ndakabva ndavamhanyira paye tikambundirana
ndakange ndatovasuwa nemazuva mashoma shoma iwayo,..

Vakaita nerino grocery raigona kupedza gore chairo,chokwadi Ethan akange ava nemari sure
achida kundigarisa kumusha inini,,,,,takatora zvese takazviisa mumba Mai vakatanga kundiratidza
hembe dzavaiti dzatengwa nalaura ,vakatanga kuchimurumbidza paye ,ndakange
ndakutobhowekana nazvo ini,,

Hee Laura akandidai ,hee this and that iiih ndakunzwa kani ndichiidzwa nezvaLaura ndakabva
ndanzwa moyo wangu kurwadza chaiko shuwa mai vakange vakuda Laura kupfuura ini nemazuva
mashoma shoma iwawa,,,,ugowona kimivenga kwavakange vakaita vakangodzoka vachinja
mufunge vakumuda Laura iyeye...

Mai Ethan.....mwana wangu ndoda kuti utererese zvandakuudza izvi pasara mavhiki mashoma
shoma kuti uroorwe naEthan.....
Ndoda kuti usafe wakaburitsa secret iyi yekuti uri mukadzi wechipiri waEthan kusvika wafa
ukundinzwa.....

Ndikukunzwai Amai...

Iwe uchange uchigara kuno iye achange achivara Harare ,murume wako anemari achange
achikuitira zvese kani apana kana chauchange uchishaya,,,,tongoda kuti mugare zvakanaka mese
wanzwa mwanangu.

Handidi kuti uzvienzanise nalaura makatosiyana ,

Mese muri varoora vangu ndongokudai zvakafanana ndadzokorora zvakare Laura haafanire
kuziva kuti Uri mukadzi waEthan chero zvikadiiiii zvikunzwika ere mwanangu......ndikuzvinzwa
amai ini chandongoda murume wangu chete zvimwe zvese izvi andinei nazzvo ini..
MaiEthan....Good girl ndoda kuti uyevedzere zvese zvandakuudza uchaona mumarriage mako
uchifara wanzwa Ethan anokudai mese wanzwa Ka...

Ndikuzvinzwa angu mhamha asi Ethan akandirwadzisa ake amai.....izvo zvakatodarika mwanangu
tarisa ikozvino akuda kuroora woita mukadzi akanaka anoteereta wanzwa seimwe wako Laura
anozvininipisa apo vabereki vake vane Mari zhinji

Ruvimbo.....ndakange ndakutobhowekana zvangu nezvaitaura amai Laura wacho anenge ange


atovapfuhwira chete amwene vangu ava zvakaoma sure..

Manheru iwayo ndakarairwa kani zvaitobhowa pamwe vairumbidza zvavo Laura masamba akange
atochinja ugoona pavakaendako vakange vakavenga Laura sei,,,,,
Kungoenda Harare chete kudzoka vatochinja,

Amai regai ndikubikirei sadza ini ndange ndatidya Ka ini,,,,

Usazvinetse zvako mwanangu ndafamba ndichidya road yese nechikafu ichi chandayengerwa
nemuroora wangu ,ndasiya zvimwe enda unotora tidye mwanangu...

Ndakatora chikafu chiye chakange chskanyorwa kuti Nandos chainhuwirira sei ,ndakabva ndatora
nemadrinks acho takatanga kudya zvedu navamwene vangu huku yainaka zvayo iyoyo ndatenda
hangu,,,

Uum chicken yonaka iyi hooo ndiyo Nandos yacho haaa kuseri wena,,,,,,,

Yakazotanba kuronga nezvemarooro angu namai ndaifanira kuzoenda kumba kwedu kana
mazuva emarooro akusvika ndonogarira ko ndozonuatsouya ndaroorwa .

Mazuva akafamba ndina vamwene vangu madays ekuti ndiroorwe akasvika ndakabva ndanzi
naamai ndichienda kumba kwedu yakange iri Wednesday ini ndichizoroorwa Saturday yacho..
Ndakaoneka vamwene vangu ndikaenda kumba kwedu,ndakatoona Mai vangu vari Vega vari
busy kugadzira pamba ndakabva ndatovajoiner,,,,,,

Ruvimbo....chokwadi amaimungaite basa rese iri mega madiiko kuti masisters enyu afanouya
pane kuti mudai,kana kundideedza zvako..

MaiRue .....anamai vako vakramba kuuya avo hanzi tozzoshandira mahara zvakaitika paye......hiiii
ende zvakaoma amai .

Haisi mhosva uavo mwanangu paye wakabhaiza andisi kukunyepera ,,,, chokwadi amai paye
pakakanganiswa kani zvakaoma .

This time handimbodaro kani amai zviye hazvidzokorodzwe kani ...

Takazopedza edu kugadzira pambaa Hama dzese dzakange dzaudzwa nanababa vese vakange
vaudzwa vakagara neni pasi vaachindiraira nekuti vaitya zvakangoitika ,vaida kuti zvisaitoke futi....
Zuva rekuroorwa kwangu rakasvika kani vese hama neshamwari vakange varipo Ethan akabvisa
inonzi mari ,hapana kana chikwereti chakasara ,rusambo Reese akabvisa nemombe kani..

Akaroora zvakashamisa hama dzangu nevanhu vese muvillage ,anababa vangu vakafara kaani
vaachiona mari ndakabva ndafunga zvangu Baba vangu kuti dai zvavo vari vapenyu vandiona
ndichiroorwawo sure.

Zvese zvakapera zvakanaka Hama dzikaparara ndakafara nanatete vangu,Ethan akamboenda


ega kumba ini ndaizoteverawo.

Ndakatanga kurairwa nana tete vangu kuti murume anobatwa sei zvese ndakaszisziswa kani
nezvemubedroom chaimo ....

Ndakati zvangu nechemumoyo Ethan ndichamubata zvakanaka zvekuti achakanganwa Laura


wake iyeye waanoda ,ndoda kukushandira mubedroom zvekuti achapa kutenda kani mirai muone
zvenyu murume ndewangu uyu.
Ndainyatsotereresa pandairairwa naanatetez vangu..

Zuva rekuti ndiende kumurume rakasvika ndikasiiwa kumurume wangu ndakaona Mai varipo
vachifara chaizvo,,,,,vakabva vatooneka ipapo anzi ndakuenda kunoona bamunini,ndskangoseka
zvangu nechemumoyo chokwadi amai vainge vakangwarisa Ava.

Mom.....ndaenda ini ndodzoka after 5 days manzwa...

Tazvinzwa amai .

Takazosara zvedu tiri vaviri nahubby wangu ndakanyatsomubikira tikadya zvedu ,,tapedza
ndakaona ndatakurwa paye Ethan ndakange ndamusuwa weduwe akabva andiisa pamubhedha
zvinyoro nyoro akabva atotanga basa zvake zuva iroro ndakanakirwa kani Ethan
akanyatsondipinza mudenga rechinomwe chairo zvekuti ndakairidza mhere kani nekunakirwa
zvekut dai amai varipo Ka vaitomuka ,zvakaita zvakanaka vakange vasipo,akandichemedza Ka
ndakamuti unonyepa iwe ndinavowo anatete vakandiraira ndakazomushandira manje zvekuti
ndakanzwa wo oyiridza mhere akuchitaura manje chigreek ndikange andisati ndatanga kani
ndakanzwa oti mihwe kani wakundiuraya kani usamire kani ooh aaah inonaka kani Rue maihwe
kani ndofa kani,,,

...Akabva anyatsondioa manyemwe ndikaenda pamusoro lake ndikatanga kuitamba zvangu


ndombolo Ethan achingozhamba chete ndakamugadzidira size yake chaiya yaanokwana,,,

Kwava kuedza ndakaona shasha yondibata bata futi paye ndakaziva kuti akuda morning glory haa
zuva iroro ndakazoshandirwa ndirimi manje aiita bhora mberi zvebasa chaaizvo

Ruvimbo...eeet eethan kani wakundiuraya kani ndofa ndiyo kani aaah wuuh aahh hstfjshd.

Ndakazichitaurawo chigreek chiye inini manje ndakatanga kugwinha gwinha manje kunakirwa
kwandakanzwa Ka ipapo kwakange kusinga tsanangurike kani ndakange ndongogomera zvino
irimo chete .

Takazopedza zvedu kamorning glory kedu takamukira kurwizi zvedu kunogeza ,tichigeza futi
chakabva chatsva zveee takatozodzokera kumba masikati chaiwo ,,

Mazuva mashanu akapfuura mai vakazodzoka day rechi7 ,uyuwo Ethan akange akugadzirira
zvekuenda Harare ndakasvotwa sei..
Zuva rekuti Ethan ayende ndakachema sei ndakange ndisisade kuparadzana nemudiwa wangu
asi pakange pasina zvekuita ndizvo zvakange zviripo kani.

Ethan.....gud bye my love

Bye Ethan ndichakusuwa please come back soon .

Ndoita kani handimborege ndoda kuzouya kuno kwane good news Rue...

Mira uone zvako matwins chaiwo ndiwo andichakuitira mudiwa wangu

Amai ndaenda ini mosara zvakanaka nemuroora wenyu uyu..


Iwewewo wofamba zvakanaka mwanangu wonondimhoreserawo muroora wangu kuHarare
uku.....

Zvakanakai amai..

Ruvimbo.....Mai vakange vakundibhowa nenyaya yaLaura.

Ndakangovatarisa ndobva nda....

End of chapter 30

Stay tuned
[31/10, 12:03] Mashumba: For Subscribers Only
My promise to you

Story by Cee

App0713440576

Chapter 30
LAURA

Uuum kubva zvandaroorana naEthan haasati amboita nguva yakareba kudai asati adzoka
chingave chiiko asi akafoner ake achiti achanonoka kudzoka 1 week Ethan asipo uakanyanya
weduwe,

Ndakatora fone yangu ndikamufonera asi aisadaira zvake fone,

Pamwe ari mumeeting zvake ndozofoner zvangu time time,zuva iroro andina kana kubika zvangu
ndakazvitengera nandos kubika chikafu chemunhu 1 kunobhowa sei,,,

Ndakabva ndaenda zvangu mubedroom mangu ndichitoita zvangu zvebasa ndaive palaptop
pangu zvangu ,ndopandakazotora fone yangu ndikafonera Ethan akati zvake haasi kuuya,moziva
ndakasvotwa fani.
Ndakabva ndatosiya zvese zvandakange ndichiita ndobva ndarara zvangu ...

Pakange pavakati ndehusiku ndakazongonzwa ndakubatwa batwa mazamu angu ndakascreamer


ndakamhanya kunobatidza light ndopandakaona Ari Ethan zvake ndakafara kani..

Shaaah kubva warova kudaro kuenda week rese uneshuwa......sorry love basa rakange
rakwandisa zvekuti madays andakakuudza kuti ndodzoka akasvika tisina kana kimbopedza
ufunge.....hoooo kana riribasa bhooo ndokutruster kani mudiwa wangu kana wati waenda kubasa
ndokwaunenge uri..

Ethan.....thnx shaaah

Laura...for what.
Ethan....for trusting me Ka,l love you Laura.

Neniwo ndokuda shaaah

Ethan....aaah kuneta Mai mwana regai ndi rare mangwana futi kumukira....

Aaaah ungarare usina kundipa kiss here

Mwaah good nyt sweetie,,,,hezvo sure wakaneta Rega ndizvirarirewo zvangu .

Takamuka makuseni takabuda zvedu toenda kubasa ,,,,umwe akananga kwake.

Mazuva akafamba tichipengesana kani nemurume wangu asi every weekend akange
asisawanikwe pamba.
Zvakatanga kundinetsa kuti Ethan anenge achimboendepiko chaiko.

Ndaiti ndikamubvunza aiti aenda kubussiness meeting,,,,,,

Haah pane zvakaitika chete ndichazvibata zvangu ini...

Ethan.....ndadeedzwa futi kuBulawayo uku ndine ma investors andikuda kusangana nawo

Laura... again

Ethan.....yes my love
Laura.... Friday nhas wakuenda futi aaah ndosara ndega here,mazuvano maweekends ese
hauwanike pamba Ethan,,,,,,sorry mudiwa this project ikapera Ka ndinenge nda Free,zvese
zvandokuita izvi ndikuitira iwewe kani

Oka my love l trust you ufambe zvakanaka mudiwa bye.

Laura.....ndakasara zvangu ndikaenda kwaamai vangu ndaizvikwanisa ere zvekuswera ndega


kumba weekend yese,

Ndakaona vabereki vangu varipo vakafara chaizvo kundiona.

Balaura.....wauya wega ko mukwasha wangu aripi

Aaah mazuvano anombogara pasi ere mukwasha wenyu akushanda kani ,tane macompanies
matatu Ka.
Balaura......haaah murume wako anoshanda Rega amboshanda mwanangu ichasvika wo nguva
yekuti azorore ,mochiswera manje mese weekend yese ...ndizvo hazvo Baba asi ndatokusuwa
ini,,,,ibvapo Siya murume amboshanda uyoooo.

Kkkkkk zvadaddy asikana,ndakabva zvangu ndapinda mumba namai vangu tikatanga kutaura
nyaya,ndichivaudza zvese nezvekuwirirana kwatainge takuita naamwene vangu

MaiLaura......ndozvakanaka mwanangu ini chaiye ndiripano ndaiwirirana naamwene vangu ini


taive bhandi netrouse chairo...

Zvaamai asikana,ndakazopedza weekend yese kwaamai vangu ndakazodzokera Kumba kwangu


weeo ndamirira murume wangu kuti adzoke.

RUVIMBO
Kuroorwa kwandakaita naEthan kwakandipa mufaro muhupenyu hwangu,Ethan aindida kani
akatanga kundichengeta ini namai vangu tese apana kana chataishaiwa,akange achivakisira Mai
vangu rino zimba zihombe .

Hupenyu hwedu hwakange hwachinja kani chero hupenyu hwaamwene vangu hwakange
hwachinjawo vakavakisirwawo zimba zihombe kani.

Ethan haana kana kumbobvira andikanganwa aiuya every weekend kuzondiona,apo ndakange
ndatozvitakura zvangu asi Ethan ndakange ndisina kana kumbondiudza,

Amwene vangu ndivo vakatanga kuzviona vakafara sei,vakange vakundirambidza kuita basa
repamba ,ndivo vaimuka vachiita zvavo basa,takatenderana kuti Ethan tozomuudza zvenhumhu
yangu kana achinge auya.

Ethan akazosvika ake manheru ndakafara kani,zuva iroro hakuna kana kubikwa ndiye akauya
nefood kubva Harare ndakati ndichiisa chikafu mukanwa so ndakabva ndanzwa moyo wangu
kumira Kuda kurutsa chaiko...

" Ndakamhanyisa panze ndikatanga zvangu kurutsa paye Ethan akabva anditeera.
Ethan....chiiko lovie haisi nhumbu ere iyi.

Ruvimbo.....ndakuda kupindura ndakabva ndanzwa amwena vangu vakupindura..

Mom......inhumbu mwanangu ndikufara kani.

Ethan ,,,, what nhumbu haaah wandifadza Rue ndakabva ndatakurwa Rue wangu ndikaenda naye
mubedroom ,,,

Ndikufara kani wane nhumbu yangu.......ehe yako ingagoita yani chokwadi tikudhsndira zviripo
ndafara kani mudiwa .

Ndakabva ndamunama nayo kiss ndobva chatotsva paye,zuva iroro hakuna kani kirarwa
tichisimbisa mwana kuzoona week rese rapera usina kuuya Ka panenge pakaipa shaah.

Rue.... please Ethan ingopedza week kani uri kuno hona mwana wedu uyu akuda pano
everyday....
Ndichaona yekutamba kani huya pano babie tisimbise mwana wedu ndakabva ndapamhwa futi
,mimba yangu iyi yaida Ethan weduwe yakange usingade kumushaya kani,

Mon payakasvika achida kuenda ndakairidza mhere zvekuti haana kuzoenda kani.

Akapedza week rese aneni ndichimuyemera zvangu nekumunetsa.

Mai ndivo vakange vakumunetsera kuti achidzokera Harare iye asingade zvake nekuti ndaimupa
rudo kani.

Ethan..... mangwana ndikudzokera Rue please usacheme nhaika unokanganisa mwana wedu
wanzwa .. ehe ndikuzvinzwa honey iwe ukurumidzewo kudzoka futi kuno ..

.... ndodzoka kani chiuya tisimbise mwana wedu kekupedzisira ndisati ndaenda.

Pasina nguva change chatotsva ndakazonzwa fone yaEthan ichiringer apo titori busy hedu
ndakaona munhu akudaira fone paye isu tiri panguva yedu.
Ethan. .. he he he aaah oooh

Ruvimbo...ndakati akuda kudaira so ndakaiwedzera speed paye kusvikira scutter fone atoona kuti
apana chaanotaura ...

Akazoenda zvake kuHarare ndakasara naamwene vangu ,mwedzi yakafamba apo mimba yangu
yaingokura Ethan haana kurega kuuya aingoiya maweekends ake iwawo.

Ndakazoti rimwe zuva ndakagara ndakatanga kunzwa kurwadziwa pasi peguvhu ,pain yacho
yakatanga kuwedzera kani ndichibva ndadeedza amai,,
Vakauya vachimhanya kani ndobva vafoneta Ethan vachibva vaenda neni kuchipatara

Takasvika pachipatara paye ndobva nda ...

End of chapter 21
Stay tuned
[07/11, 11:25] Mashumba: For Subscribers Only

My promise to you

Story by Cee

AKA
Mashumba

App 0713440576

Chapter 32

RUVIMBO

Ndakati ndichipinda muchipatara ndakabva ndatotirwa nemanurse ndakananga kulabour ,hama


we ndakarwadziwa kani,ndaktaeiswa nanurse zvikanzi macentimeters ako achiri kure saka
imbotyora ako,pavaidaro nurse ini ndaiita kuyuwira kani ndairwadziwa kani wotondiudza zvavo
zvekuti ndichiri kure ,ndakona futi Mai vangu vauya shuwa pakarwadza mimba ndakaona kukosha
kwana amai ,,,,,,ndaingonamata kuti dai Ethan atouya zvake pamwe ndikamuona face yake
ndingadzwe zvirinani,,,,,

4 hours dzakasvika ndichingowuwira chete ,ndakazoona Ethan asvika ndakafara sei,Ethan akati
achisvika so ndichibva ndatobatsirwa mwana mukomana ,haah Ethan akafara zvandissati
ndamboona achiita ,kuzoti amwene vangu nekuyimba nekuyimba kani pakafarwa,ndakazoenda
kumba kwamai vangu ndakange ndachisungirwa manje paye,Ethan akapedza svondo rese ariko
kumba kwedu ndobva azodzokera zvake Harare,

Ndakasara namai vangu ndichidzidzisa kuchengeta mwana nekumugeza ko ndaitya Ka kumugeza


aive mudiki diki,akasiya atimidzwa zita nababa vake rekuti Jnr.

MaiRue......wandifadza mwanangu ndane muzukuruwo,asi pane nyaya 1 ikundinetsa chete


nhaiwe unosvika rinhiko uchingogara kumusha uchizvarira murume wako uyu vana iye achijabula
Ari Harare
nemukadzi wake wekutanga .

Ruvimbo....patakaroorana akati inini ndendichigara kuno kumusha achindiitira zvese mhamha


,honai imba yatakavakirwa iyi inotoita seyeku Harare kunaka nekukura,
MaiRue.....changamuka iwe zvikanzi murume wako afa nhasi unosara nei heee,hanty zvinhu
zvese zvinoenda kumukadzi wake wekutanga ere....

ooooh shuwa amai zvese izvozvo kana kumbozvifunga amai,ipapo mataura chokwadi chaicho
amai uuuuh panoda kutogadziriswa kani..

Shuwa itoita plan mwanangu unosara uchitambura nevana kana kwakangoitoka chimwe chinhu.

Chokwadi amai,tiri busy kutaura amwene vangu vakabva vasvika zvavo.

MaiEthan....tisvikewo pano

Svikai enyu Gogo vaJunior


MaiEthan.......ariseiko murume wangu uyu.....Ari ryt amai angosuwa baba vake chete,,,,,,,,

Kkkk zve muroora wangu asikana wakutofunga Ka Baba vacho ndiwe,,,ehe amai ndatomusuwa ini
dai aigarawo kuno ndichimuonawo everyday,iyewo achionawo mwana wake paadira ,zvekuti
umwe anogara kwake Ka ndaneta ini amai,,

MaiEthan.....watanga Rue pamakaroorana makatenderana kutiiko.....

Aaaah zvese izvozvo handichina basa nazvo ndakuda kugara nemhuri yangu pamwe chete ,kana
kuri kuHarare toendako tonogara tese ikoko..

MaiEthan.....hausi wakufarisa woda kuparadza marriage yaEthan yekutanga ndikukuona zvangu

MaiRue.....kufarisei ko Mai imi,munhu ngaagare kune murume wake ,Moti mwana wangu ndiye
asingade kuonawo murume wake everyday achichengeta mwana wo wake uy
MaiEthan....uuum ndaenda ini iyi nyaya ka handichaigone zvangu ini.

Vamwene vangu vakabva vaenda zvavo andina kana kivabudisa hanya nani ,sure ini ndini
wekumusha umwe achigara Harare achidya Mari yemurume wangu manje ndikuzozvipedza
izvozvo,ndikutozokuenda kuHarare ikoko zvangu mirai muone zvenyu amai.

LAURA

Ethan akange akungogara ari out nebasa zvekuti zvakange zvakutondinetsawo,

Pamwe aiita week ,dzimwe nguva kana2 weeks chaidzo aisvitsa asipo pamba,ndaiti
ndikamubvunza aiti basa racho rawanda nekuti tava nemacompanies akawandisa saka hazviite
kuti tigare panzvimbo 1,

Kubudirira tainge tabudirira edu tane Mari yeduwo yataishandira tega ,saka ndaizvinzwisisa
zvangu nekuti baba vangu vaivewo businessman .
Ndaigaro funga zvangu kuti ndaisvika kupi ndisinawo mwana sure,dai ndinewo mwana
ndisingazonyanye kusurukirwa,dai Ethan akabvumawo kuti ndi adopte mwana ndisina nhamo
yese iyi yekugara ndega.

Ndakange ndazvitambira angu asi zvaindirwadza inside asi chekuita ndipo pakange pasina kani
,sure ndakange ndazvikanganisira hupenyu nekusateerera kwangu ,ndaigaro udza mateenagers
past yangu ndova educator nezve madangers e abortion ndozvaizondipawo mufaro muupenyu
hwangu kuti ndikukwanisa wo kubatsira mayoung asati aita mistake yandakita wo ini mu life
mangu.

Ethan.....hesi sweetie ko ukufungeiko ndasvika pano kare asi hauna kana kuzviona.....ndikufunga
zvangu life yangu honey mazuva ano unongogara uri out nebasa hatichisina nguva yakawanda tiri
tese unenge ungori busy nebasa rako...

Ethan..... sorry shaaah basa racho ma1 kani , mazuvano rakwandisa


kani hona macompanies atavhura so far ,zvoda kuti ndimbomhanya mhanya ndichienda kwese
kuti ndione kuti zvikufamba here.

" Um not complaining zvangu ndikungotaura wo zvangu,izvozvi dai ndine mwana pese paunobuda
ndaiziva kuti ndinenge ndisiri ndega , ndina someone who pane kungogara ndega pano.
Ethan....pitaura Rue zvese izvo moyo wangu wairwadza asi chekuita ndipo pakange pasina zve
Adoption bodo handivhengete mwana asiri wangu ini,,,,sorry zvako Laura l promise next week
yese ndinenge ndinewe hapana kana kwandinoenda ini ndine nge ndinewe,let's go to Vic Falls
Laura..

Laura....yàaah good idea ndosaka ndichikuda iwewe mwaah.

Takazorara takufadzana zvedu nemudiwa wangu takuronga zverwendo rwedu .

Mazuva akusvika ndakazongonzwa munhu achinza futi hanzi hatichaende pane zvaitika ,

Laura....what

Sorry Laura pane emergency yaitika kucompany yedu yekuGweru saka ndikutodiwa like now.

Ooh not again Ethan wakundisiya futi ndega pano hiii hiiii hiii,kana zvakudai macompany acho
ngaavhare...

Ethan.....ndakarwadziwa kani Laura achichema apo ndaitomunyepera zvangu,ndakange


ndafonerwa naRuvimbo achiti mwana arwara ," saka ndakange ndakutimhanyira zvangu kumusha
kunoona mwana wangu akange arwara uyu ,um sorry Laura my love .

Laura.....saka wakutobuda so ere.

Ehe my love ndakutobuda ini ndikutodiwa na12 pm saka ndikutoenda nendege chaiyo...

Laura.....okay Ethan but promise me kuti uchingobva ikoko tikuenda kuVic falls .

Okay love ndapanzwa rega ndimhanye Ku airport.

Laura.....simba chairo rekumuperekedza ndakarishaya ndakangisara zvangu ndikapinda


mumablankets ndirara zvangu.

Ethan....ndakabuda zvangu ndakananga kumusha Jnr ndaimudisa kani ndakange ndisingade kuti
mwana wangu arware rware zvangu ,um sorry Laura but my child need me .
End of chapter 32

Drop your comments

Stay tuned
[07/11, 12:10] Mashumba: For Subscribers Only

My promise to you

Story by Cee
AKA

Mashumba

App 0713440576

Chapter 33

AFTER 5 YEARS

NARRATION
Ethan akange ave nevana vaviri naRuvimbo ,rudo rwevaviri rwaiwedzera zuva nezuva, Ruvimbo
akange atova neimwe nhumbu yetatu,,,

Amwene vake vaifara kani nekuti Rue akange avazvarira vazukuru komana vaviri umwe wacho
akabva apihwa Zita rasekuru vake Baba vaEthan,

" Maai Ethan vaifara kani hanzi dzinza rskuenderera mberi manje chero baEthan kwavari ikoko
vanotofarawo.

Ethan wo naLaura vaidanana chaizvo,zvekuti Laura aitruster murume wake akange


asingatimbozvifungure kuti akaitw imwe mhuri ,kana kuita small house chaiyo aitruster murume
wake zvekuti, iyewo Ethan akange akugona kubalancisa aivada vese vakadzi vake asi aiti kana
akangoudzwa kuti mwana arwara aibva atisiya zvese zvaanenge achiita otoenda kumusha
hapana aikwanisa kumudzora akangonzwa zvevana vake.

MaiRue vakange vakungofurira Rue kuti aende kunogara wo kuHarare kune umwe mukadzi,oti
ndiye akumuzvarira vana ogara futi kumusha ,Rue akatanga kupihwa Pressure namai vake
kusvikira akunetsa Ethan,asi Ethan aizviramba aiti zvese ndikuitira wani ukurarama hupenyu
hwemutown iwe uri kumusha wani,zvese ndikuitira wani chero Mari ndokupa wani yaunoda iwewe,

Ethan naRue vakange vakubata vachinetsana nenyaya iyoyo zvekuti akange akumboramwa
kuenda kumusha kwacho.
Mai Ethan vakange asina kukanganwawo muroora wavo Laura vaigaro enda kumba kwake
vachifara vachiwirirana zvavo, Laura wo aida amwene vake aivaudza zvese zvaiitwa naEthan
vachingomuti ipressure kubasa murume wako anokuda,vaiti kana vodzokera kumusha vaitenga
grocery rinopedza gore rese chairo zvekuti zvakange zvskuitwa naRue vakange vasingazvifarire
zvachose.

RUVIMBO

Amai ini ndakumboenda kwami vangu ndaneta nekutaura pano...

MaiEthan....ko zvaita seiko muroora wangu...Ethan ane2 weeks dzese asina kumboita nekuti
ndakakuudza chokwadi..

Chokwadi chekuti kudiiko mwanangu...

Chekuti Ka handichakwanisa kugara kuno kumusha ndega nevana vangu,ndoda wo kuti vana
vangu ava vadzedzewo zvikoro zvekuHarare kwete kuno kumusha..

Saka kuenda kwamai vako ndiko kudiiko...kumbonozorodza pfungwa,Jnr handei tora Umwe wako
uyo tiende....

Ko watoshinga ere mwanangu....ehe ndaenda ini ndozodzoka kana mwana wenyu akutaura zvine
musoro ndaenda ini.

Ndakabuda ndakananga kwamai vangu nevana vangu ndakasvika ndikatovaona zvavo varipo.

MaiRue....hezvo kwakanaka ere kwawauya nevana nrmabags.

Kwakanaka amai ndati ndimbouya zvangu kuno Ethan wacho haadikuda kuti ndigare Harare...

Manje kuHarare ndiko kwaukuzoenda mwanangu...

Asi baJnr vakuramba mhamha....siyana nezvabaJn izvi ndikuudze zvekuita ini Mai vako andidi
kukuona uchitambura mwanangu.

Rue.....saka ndodiniko nhai amai zvekuno kumusha handichade ini mai ,ini ndoita kunge
ndakangoroorerwa kuti ndingozvara vana ava bedzi .
Manje mira uone zvako mwanangu murume ndewako ndiwe une vana kwete zve ngomwa iri
Harare uko.

Nhai zvenyu mhamha ndoshaya kuti Ethan anodeiko pane munhu asingabereke uyu,achisiya ini
kumusha ndikumuberekera vana honai ooh ndane imwe mimba dai ndakazvarawo musikana this
time.

MaiRue.....kunogara Ethan unokuziva ere iwewe.....handikuzive ini amai mozviziva wani kuti
handisati ndamboenda kuHarare.

" Kana address yake zvayo hauyizive ere,ndoiziva amai ndakaidzwa namai kuti Laura anogara
kuborrodale brooks ,anzi anezimba zihombe rine upstairs ...... address unayo ere Rue....ehe amai
ndinayo ini psksends Mai KuHarare takaitsvaga tese.

MaiRue....good
[07/11, 13:25] Mashumba: For Subscribers Only
My promise to you

Written by Cee

Aka
Mashumba

App 0713449576

Mai Ruvimbo

Good mwanangu wakangwarira iwewe ,kana une address yacho zvako zvatoita mwanangu..

Mukutiiko amai.

Ndikuda kuti mangwana chaiye usunge mabags ako nevana vako avo uende kuHarare,ndoda
kumutsvagira mota yekuti unongomuoa address wonosiirwa pamba pacho chaipo.
Waal mom good idea ndafara kani Mai vangu ndosaka muripo imimi...

Maita basa amai mangwana chaiye ndinenge ndavekowo kuHarare...

Shuwa mwanangu usazondikanganwawo waenda ikoko wanzwa ...

Andimbokukanganwei amai vangu ndimi maaita kuti ndisvike pandasvika apa.

Mai vangu vskazoswera vonditsvagira mota yrkuendesa Harare apo Ethan wacho akange
asisafone akanditsamwira aingotaura nevana vake chete chete.

Handina kumboita zvekurongedza mabags akange akarongedzwa nekudhara .

Mai vakazotodzoka manheru vachiti vandiwanira mota,zuva iroro handina kurara nekufara husiku
hwakaita hurefu, ndakamuka nevana vangu ndakananga Harare aah enough is enough
anonondiona Ethan nhasi.
Mota yakafamba kani zvekuti pasina nguva takange tatisvika muHarare,

Ndakati ndichisvika pamba paEthan so hana yangu yakarova neimba yandakona imba yainge
yakanaka iyoyo yakakura kani waiita senge watove America kani .

Imba yainge yakanaka iyoyo ini ndonzi ndigare kumusha kuzvimba zvaakavaka zvakashata
kudaro aaah kana , Laura achirarama hupenyu hweumambo asina kana mwana waanaye Aiwa
ndazviramba fanika pandaona zimba rake iro haaah bye bye kumusha andichadzokere futi ikoko
ndava weHarare ini.

Ndakatanga zvangu kutenderera ndichiona imba iye ndakapa kutenda kani kuti kune vanhu
vakagarika zvavo pasi pezuva,

" Ndakazopinda zvangu mumba muye ndisina kunoka ndakaona ino tsvarakadenga yakagara
zvayo ,,,,

Laura....ndikakubatsiraai neiko.
Ruvimbo.....ndauya pano kuzoona brother yangu....uuum brother yako ipi ...

Anonzi Ethan Mutandwa..

Aaaah Ethan haana hanzvadzi uyu akandiudza kuti akazvarwa Ari 1 mumba mavo .

Ruvimbo....ooh yes akazvarwa Ari 1 um his cousin sister.

Laura....oooh sorry makadiiko Tete.

Ndiryt uriseiko muroora wangu,iriseiko hanzvadzi yangu .


.. hanzvadzi yenyu iri ryt Tete ava vazukuru vangu ere avo....ehe vazukuru venyu tete..

Haaah ndazvionaa chete uyu mukuru akafanana naEthan uyu...

Sure ere muroora....ehe ungatori mwana waEthan kana usingazive kuti ngevenyu.

Ruvimbo ......sure ere tete mhamha vange vachitokukwazisai vandituma nenzungu dzenyu
idzo...aaah vaita basa sure amai vangu.....

Regai ndikubikirei kwadoka uku Ethan anogona kungosvika anytime ....

K Tete......

Laura akabika tese tikanyatsodya zvedu,ndaitofara zvangu mumoyo mangu kuti vana vangu
vakuchizogara nababa vavo,,,,
Vana vangu vakapedza kudya nekutorara paye,vachibva vaendeswa kunorara,takabva tatanga
kutaura nyaya paye Ethan achibva asvika zvake.

Akati achindiona kudai akashmisika zvekupererwa chaizvo ,ndakabva ndaona Laura


achimumhanyira achibva amukisser nekutira briefcase rake,godo takabva randibata ipapo.

Laura.....daddy Tete vauya kuzotiona avo , vana vatorara ndanovararisa muroom iri kufirst floor
uko....
K Laura chiendesa briefcase yangu iyi kubedroom.

Laura akabva atobuda zvake achienda kubedroom ndikasara naRue.

Ethan.....Rue what is the meaning of this hee..

Ruvimbo...Ethan akatakura akashatisa face ndakange ndisati ndambokuona akatsamwa


kudaro,asi ndaiziva kuti apana kana zvaanondiita nekuti ndine pamuviri...ndakabva
ndatomupindura rough zvangu.
Rue.....ndauya nevana vako pano ,waiti ndosvikepi ndichigara kumusha nevana iwe uchigara
kuno nekakadzi kako ako kasingabereke.

Ethan...andidi zvemuyedzo wanzwa mangwana chaiwo ndoda kuti udzokere kumusha nevana....

Ruvimbo.... kumusha manje ndiko kwandisiri kuzodzokera bamwana siyanai neni um here to stay.

Unoziva Rue ndokurova ....rova Ka uone .

Ethan...pliz Rue dzokera kumusha mangwana chaiwo ndoteera ikoko usati wandioaradzira
marriage yangu...

Ndati kumusha handisi kudzokera zvangu ini ndatouya nevana.

Tichinetsana kudaro Laura akabva auya ko hindava kunetsana kudaro nhaimi ,inyaya yeiko.
Ruvimbo....ndikumuudza kutiakudiwa kumusha iye akuramba nhai anzi ndakawandirwa nebasa....

Laura....sure mazuvano basa rakavawandira Tete pamwe vanozouya ko kunana next week..

Regai ndikuunzirei food dady.

Ruvimbo.... ndakabva ndangoseka zvangu mumoyo kutoti dady kani ,haya nyaya yekushaya vana
iyi yakaona isu vamwe tongoti vaJnr kaa kwaah.

Ethan akadya ndobva Laura andiratidza kwekurara asi ndakati ndozorara tym tym,ndakaona
Laura akudhinza Ethan kuenda kubedroom apo zvvaiita zvacho Ethan aiita kuonererwa chaiko
vakabva vapinda mubedroom mavo ndichitevera kumashure zvandakanzwa zuva iroro ndri
padoor Ka ndakarwadziwa vanhu vachipanana rudo zvavo ini ndiri ndega ndega kumusha , chero
pandauya futi nhas Ethan akutoita zvekurara naLaura ndakazoenda kuroom kwangu
bdabumbirwa ndakazoona munhu apinda muroom mangu pakati pehusiku ndainge
ndakamutsamwira,,,,,
" Akabva atanga kutaura nyaya yake yekuti ndidzokere kumusha fut.

Asi ndakarambisisa ndakabva ndatorara zvangu bdakumu ignower achibva abuda mumba
zvehasha chaizvo.

Ndakatoti nechemumoyo hanya nani ndikutida kushandisa vana vake iwawo kuti Laura azive
chokwadi benzi remunhu.

Ndakabva ndatorara zvangu ndichironga zano , pano papalace ndipo pandaizogara manje Ethan
achida asingade.

Makuseni ndakaona kuti shasha dzamuka paye ndakatovaona vari mukitchen vachitodanana
zvavo,chokwadi vanhu vaidanana zvavo,ndipo pandakanyatsoziva kuti Ethan anonyanyida Laura
vake iyeye asina kana mwana,ndakatanga kuiyeredza misodzi chokwadi ndakange ndashandiswa
kani manje nhas chokwadi chikubuda pachena,

Ndakataimira vagara zvavo mulounge ndakaenda kunodeedza vana vangu,,,,,.


" Vakauya vachimhanya vachifara zvavo vana vangu vachiti daddy,daddy.

Ndakaona Ethan naLaura vakunditarisa paye,vana vakabva vasvika paye vachisvikombundira


baba vavo paye ,Ethan Simba rese takabva rapera ndakaona Laura akusimuka.

Laura.... Ethan wwh wwhat iii iss going on here.....let me explain Laura.

Ethan asati apedza kutaura ndakabva ndaona Laura achidonha pasi achibva angoti ziii akadaro....

End of chapter 34

Book redu rakuda kusvika kumagumo

Ndoda kukutendai mose makasupporter book

Stay tuned
[09/11, 13:33] Mashumba: For Subscribers Only
My promise to you

Story by Cee

AKA
Mashumba

App0713440576

Semi Final

Chapter 35

Ethan

Ndakazongoona Laura ave pasi hana yangu yakarova ndakati nhasi zvangu mwana wevanhu
akandifira pano ,pangu pandiperera,Iwe Ruvimbo ukuona zvawakonzeresa kna pakawana
chinoitika kuna Laura ka unondiona bedzi remunhu ndakutoona kuti ndakita mistake hombe
kumuroora iwewe," munhu wepi asinganzwe ,heee ndakakutiiko patakaroorana dai waisazvigona
wakandiudza wanzwa,
Pawane chinoitika pane mudiwa wangu Laura ndipo panoperera wo marriage yedu ,,,,,,,

Ndakabva ndamhanya kukitchen kuno Tora mvura ndichibva ndasvikodira Laura uya...

Akabva amuka ipapo.

Laura.....Tel me it's not true Ethan tel me...

Ruvimbo.....aaah zvese zvawaona izvi ichokwadi maiguru ,vana vaviri ava ndevake uyu,nemimba
iyi yandinayo ndeyake Ethan very soon tinenge tana baby girl.

Ethan..... pliz Rue shut up wanzwa uri muroyi wemunhu,ndaisaiziva kuti Uri devil chaiye .

Laura.... Ethan um waiting,is it true zvikutaurwa nemukadzi uyu...


Ethan...um sorry Laura forgive me ichokwadi zvese zvataurwa naRuvimbo..

Laura....ooh my God hiii hiii hiii ,l trusted you Ethan ndakakuoa moyo wangu Ethan and what did
you do heee,hiii hiiii.

You married another woman without my knowledge ooooh God.

Kuroora umwe mukadzi nekuti Ka ini handizvare andina chibereko hiii hiii hiiii nda who caused all
that heeee ,you Ethan.

I trusted you Mai kani kindiroorera umwe mukadzi iwewe hiii hiii hiii

Ethan....anobva apfugama pasi achikumbira ruregerero" please forgive me my wife yaive pressure
yaibva kuhama dzangu kani ndokuda mukadzi wangu wakadaro with or without a child you are my
life Laura
Ruvimbo....

Ethan.....pliz just hear me out my mother wanted me to marry another wife so that wanoona wo
vazukuru vavo vachiri vapenyu...

Laura.....oooh namai vanozviziva futi,ooh my God um finished ooh ,l can't stay hear Ethan
ndakuenda ndakukusiya nemhuri yako iyo mukadzi nevana vako,now l understand all this years
you lied to me ,all those fake businesses meeting uum you are Clever Ethan and um a fool hiii hiiii
hiiiii...

Laura.....ndakabva ndaenda kubedroom ndikarongedza hembe dzangu dzese Ethan


achingonditevera kumashure semweya wetsvina...

Please my love don't go kani let's talk my wife usandisiye kani ndiregererewo kani ,l can not live
without you my love ...

No Ethan um going you betrayed me haaah wandibaya panyama nhete chaipo l trusted you with
my life,chisara nemhuri yako iyo ini ndaenda.
Laura akabuda misodzi iri mumatama ndakarwadziwa kuona mudiwa wangu wepamoyo
achindisiya achienda ,pain yandakanzwa Ka yakange uakanyanya Laura was my life,my
everything .

Ndakasara zvino ndatarisana nebenzi rangu Ruvimbo.....ndizvo zvawanga uchida Ka izvi zvekuti
ndirambwe naLaura celebrate zvaitika manje pirurudza upembere Satan.

Rue.....ndezvako izvo ,ehe ndizvo chaizvo zvandainge ndichida ini ngaaende haana chaanogrira
pano,ndini mukadzi wako Ethan ndini ndakatanga kukuona ndikadanana newe takapanana
chitsidzo chekuti hatife takaparadzana,wakanganwa ere kuti yakaita blood convenant tichiri
kuchikoro paye,uriwangu iwe kusvika taparadzana nerufu.

Ethan....l regret day rakakakuona ndakakuudza kuti ndokuda,l regret that day ratakaita blood
convenant kwaive kusaziva kuye , Laura is my life l promise to love her forever in sickness, health
and now asina mwana kudaro l love her wanzwa,

Rue....oooh so what about me um a childbearing machine hee wekuti kana wakuda mwana
unouya kumusha uku wondipa mimba ,hoooo unoti ndakapusa nhai manje ini pano um hear to
stay wanzwa.....ndozvandikuda kuona izvozvo pano ndopausiri kuzogara wanzwa ino imba yangu
na Laura chete...
Manje ndoda kuzviona izvozvo,hee Laura Laura Laura aneiko chandisina iko kaLaura kako ako....

Ethan.....ndakabva ndarova Ruvimbo mbama chaiyo akange ave Kuda kuonererwa manje
nezvese zvatakaitirwa naLaura nayewo akuto benefitawo ataura zvisina kana basa,ndokurova
kanhumbu kako ikako kakabva wazvinzwa ere,kana Laura akangondiramba chete pano nhasi
hapadyiwe rinopisa ndakutevera mukadzi wangu ndoda kuona watuta twako twese usiye vana
vangu wanzwa benzi remunhu.

Ethan.....ndakabva ndabuda zvangu mumba muye ndakananga kwana Laura chaindiwana


chaindiwana ndiriko kani ,l was willing to accept any punishment pana Laura ndipo paive nemoyo
wangu ,chero baba vake vakandiuraya ka ameno ,chandaingoziva ndechekuti l will die for her.

Ndakabva ndamutsa mota yangu ndakananga kwanaLaura.

LAURA
Mom mom hiiii hiiii hiiii,amai kani muripiko

MaiLaura.... nhaiwe balaura haasi mwana wako akuchema uko,atanga mwana wako kuyema
unonyanya kumujaidza hee zai regondo rangu unosvika rinhiko uchimuspoiler kudaro hona akura
kudai anongosvika pano achichema semwana mudiki.

Balaura....pamwe pane zvaitika unoti munhu angangochema pasina kana chaitika ere
maimwana.rega apinde tinzwe kuti chii chikunetsa.

Haaah ndobvuma Ari mwana wako chaiye anonetsa mukwasha wangu haanetse kudaro Laura
kuyema anokunyanya mwanangu.

Laura.......Mai kani Ethan andibaya panyama nhete chaipo amai hiii hiii hiii,ndakazvikanganisira
hupenyu kani hiii hiiii hiii,daindakaziva kani pamaindiraira ndaiteerera kani ndisina nhamo yese iyi.
Balaura....chiiko chanetsa mwanangu... Ethan daddy hiii hiii.

Aitaseiko Ethan wacho nhai mwanangu....

Laura..... Ethan and umwe mukadzi nevana daddy hiii hiii hii ndarwadziwa nhasi amai
ndiregerereiwo nekusakuteererai dai makatobayawo vazukuru vanyu kare kare manje
nemisikanzwa yangu honai zvandiri nhasi hwee.

MaiLaura... what

Balaura....what ,wati kudiii Laura umwe mukadzi heee oooh my God ,l will not forgive that man ,
what aaah .

Laura...hiii hii(crying)
Balaura.....chinyarara mwanangu l will with that man benzi remunhu..

Nyarara zvako mwanangu apana kwauchaenda wanzwa.

Tiri busy kunyaradza Laura Ethan akabva apinda wo.

Balaura...you bastard what did you do to my daughter hee.

Ethan akabva asviko pfugama pamakumbo ababaLaura achichema achikumbira ruregerero.

Young man um not going to forgive you l trusted you wakutotamba nehupenyu hwemwana wangu
uyu, remember ndiwe wakamukanganisira hupenyu iwewe...
Ethan....um so sorry baba ndiregerereiwo um ready to take any punishment .

Balaura vakabva vasimuka pavange vagere ndokutanga kurova Ethan uye kusvika akubuda
ropa,,,

Laura....pliz father munomukuvadza kani hiii hiii chiregai kimurova kani munomuuraya.

Ndaafe benzi remunhu andina kuzvitarisira kuti angaite zvakadaro ini .

Ethan.... Ndiregerereiwo Baba mukadzi wangu ndichiri kumuda kani chero nhasi mukandirova
ndofira angu pano ,handisi kuenda kusvika Laura andiregera.

Laura... please go Ethan l don't want to see you again ,you broke my heart... please mom and dad
ndisiyei ndina Ethan nditaure naye.

Balaura...what ,handisikukusiya nebenzi iroro wanzwa...


Laura .....pliz mom n dad l have to do this alone.

Vabereki vaLaura vakabva vabuda ndobva vaa.....

End of chapter 35

Stay tuned
[10/11, 13:23] Mashumba: For Subscribers Only

My promise to you
Story by Cee

AKA

Mashumba

App 0713449576

Season Finale

Chapter 36
Ethan naLaura vakazosara vave vaviri paye vakatanga kunetsan a , Ethan achiramba kudzokera
kumba kwake Laura asina kumuregerera......apa Laura wacho aitotsika madziro achiti haafe
akadzokera kumba kwake kana ane umwe mukadzi ndakange ndava pama1 chaipo ,kuti
ndirambe Rue futi ndaibva ndafunga vana vangu aaah zvainge zvakandiomera kani vana vangu
vese naLaura ndivo vanhu vandairaramira ivavo ndaisada kushaya one wavo ipapo ndandimire
paive pakaomesesa ,ndakamboedza asi Laura akarambisisa hanzi andigare pachipare ini
,ndakaedza kumuonesa asi akaramba ndakange ndatopererwa nemazano.

Ethan....pliz Laura give me time yekuti ndiagadzirise zvandakatadza ndokuda mukadzi wangu...

Laura....time ooh......

Ethan....shuwa my love ndine nguva ndiagadzirise pandakatadza .......you broke my heart Ethan
kuroora umwe mukadzi iwewe behind my back ,all this years ndichirarama ndiri murima uchindiita
benzi iwewe aaah wakandirwadzisa kani .

Sorry mudiwa wangu l will make it up to you my love ndiwe chete uri pamoyo pangu sweetheart
ndiregererewo kani,apo Ethan akange akutaura achitochema chaiko akapfugama zvekuti Laura
akatanga kumunzwira tsitsi futi.

Laura.....okay Ethan um giving you only 1 week to make things right kana wakasauya kuzondiudza
good news ndoperawo kunenge keaitawo marriage yedu ikoko,wakandirwadzisa Kani l trusted you
.
Ethan...thank you Laura l will make things right ,l love only you you are mya life.

Ethan akazoenda zvake ndikasara ndichitsanangutira vabereki vangu zvese,Baba vangu


vakangozunguza musoro vakati wamunhu mukuru zvaunenge wasarudza kuita izvozvo ndongo
kusuppoter," ndakabva ndatotanga kugara zvangu nevabereki vangu asi Ethan wangu
ndaimufunga everyday andizive kuti akange akandipei kumuda ndaingomuda zvakadaro pain iye
yakange yachioera zvino,asi ndaiti akafoner ndaisapindura zvangu,chero akasender msg
ndaisapindura zvangu ndaida kumbomupfidzisa zvangu ndozomuregerera zvangu.

ETHAN

Ndakasvika kumba ndakatodhiniwa zvangu ndakatoona Rue akutozviita madam boss mjmba
maLaura ,takatanga kunetsana paye asi munhu vacho akange Ari imwe type ndakambomuti abve
pamba pangu asi ndaingoona aripo chete," aitoshandisa mimba yake yaakange anayo achiziva
kuti apana kana zvandaikwanisa kumuita necondition yake.

" Mumba imomo makange musina kana mufaro kwaive kupopotedzana chete chete
,ndakamboedza kumutsanangurira kuti aende kumusha anogarako nevana asi akarambisisa achiti
ndiye ane right yekugara muHarare nekuti ndiye ane vana Laura haana kana right nekuti haana
kana mwana,
" Ini ndairara kwangu iyewo achirara wo kwake yakange yave imba yemadzudzo chaiyo
takapedza mazuva pasina aitaura nevamwe ndaingotaura nevana wangu chete .

Umwe musi ndichibva zvangu kubasa ndakaona zvaRue zvakapika ndazviendera zvangu kuroom
kwangu upstairs ndakaona shasha yatevera ikungopopota chete ndakazvi ignower zvangu
ndabuda mo ndobva ndaenda zvangu down stairs kwange kune vana vangu,ndakazongoona
munhu akuscreamer adonha pamasteps ropa takatanga kuyerera paye,takabva tamhanya nevana
vangu kuenda kuye ndakabva ndatora mota yangu ndikaisa Rue mumota ndakananga
muchipatara apa aingobuda ropa chete takazosvika kuchipatara angoti rapata kana kutaura anga
asisataure..

Ethan....Dr pliz do something my wife is dying please save my wife and child l beg you pliz.....

" Madoctors akabva atora Rue vakaenda naye kutheatre vakatora nguva yakareba varimo chete
mahours,pave paye Dr vaye vakabva vabuda vakauya pandiri ," ndakazonzwa voti um sorry we
did our best,we tried to save your wife but zvaramba arasikirwa neropa rakawandisa saka
paasvika pano ange atova serious asisina ropa mumuviri .

Ethan.... crying,ooh my God ..

Dr......um very sorry my friend your wife is no more but thank God we managed to save the
child,you have a bouncing baby girl.
Ethan....panguva iyi ndakashaya kana zvekuita rakange riri zuva remufaro zvese nekusuwa
ipapo,ndakashaya kana wekuudza ndakada kufonera mai vangu zvikafamba,ndakada kufonera
MaiRue futi zvikafamba,ndakazozvishingisa zvangu ndakafonera Laura .

Akabva auya kwandiri achichema paye ,takatanga kuchema apawo Laura aizvioa mhosva yekuti
ndini ndakakuoa pressure yekuti urambe Rue asi ndakamunyaradza nekuti zvesy zvaiitika
yakange iri mhosva yangu,.

Laura akazondisimbisa ndakakwanisa kuudza Mai vangu nemai vaRue zvese zvakaitika...Mai Rue
vakachema mwana wavo asi vakazvozvitambira zvakange zvaitika.

Mai vangu vakazokumbira Laura ruregerero vachimutsanangurira zvese zvakange zvaitika


vachizvipa mhosva yekuti ndivo vakapa Ethan pressure nekuti vange vakuda vazukuru.,

Vese kubva Kuna maiRue, MaiEthan , Laura naEthan vakange varegererana,Ethan akatanga
kuchengeta maiRue Sami vake chaivo chero vazukuru vavo vaimboenda ko...."Ukuwo vabereki
vaLaura vakazoregerera Ethan vakatanga zvakare kuwirirana,paiitika zvese izvi Laura ndiye
aichengeta mucheche mwana waRuvimbo Baba vake vakamupa Zita raLaura,uyu wo Laura
akabva apa mwana uyu zita ramai vake.

AFTER 5 YEARS
Ethan naLaura mumarriage mavo wakange wave mufaro bedzi bedzi vakange vane vana vavo
vatatu,Laura aida vana ava sevana vake chaivo ,waitoti ukasvika pamba pavo waisatombozviona
kuti havasi vana vake,kuzoti kagotwe ako kaitova mumy's gal chaiko kaisatoziva kuti Laura havasi
Mai vake chaivo,vakomana vakuru ndivo vaiziva asi vakanzi vasaudze LR (Laura Rue)kuti Mai
vavo vakafa.ana Junior vacho vaida maai vavo chaizvo izvo zvinova zvaifadza Ethan.

Laura.... sweetie urisei nhas don't forget kuti nhasi birthday raLR , ooooh ndange ndatokanganwa
ini nhas toenda out for dinner apana akusara nhasi .

Children.....yeeeeeh yeeeh thanx dady

And they live happily ever after

The end

Thnk you guys for your support

Tosangana panext book

Pastor's Daughter
Azuka the great singer

Thank you

You might also like