Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 20

TSUMO DZIRI MUCHISHONA

BY MATIZHA T

A
 Abereka otochena mwoyo
 Achemedza mbudzana yake akura
 Adziya moto wembavha
 Afa, afa nemuromo wake
 Afa anaka
 Afamba apota
 Afa nemaronda enyora haachemwi
 Afira nyora haachemwi
 Afirwa haaringwi kumeso
 Afirwa haatariswi kumeso
 Ageza haanokorerwi
 Agumhina afamba hazvienzani naTigere
 Aguta haaoneki
 Aita chake ndihombarume
 Aita twake ndihombarume
 Aiva madziva ava mazambuko
 Aiva maguta ava matongo
 Aive mazambuko ave madziva
 Akanga nyimo avangarara
 Akazvara sekera muchitende
 Akonwa haasiyi mudzimu warembera padare
 Akumbira banga kuti azivikanwe kuti abaya
 Akupa damba regavi ndewako
 Akupa dhamba ndewako

 Akuruma nzeve ndewako


 Akuti rima ati ugozodya
 Akweva sanzu akweva namashizha aro
 Azvuva sanzu azvuva nemwana waro
 Ane benzi ndeane rake kudzana kwaro anopururudza
 Ane benzi nderake kudzana unopururudza
 Ane benzi ndounaro kudzana anopururudza
 Ane chake haareveteki
 Ane chake ndihombarume
 Ane ganda ane nyama hazvienzane nowakabata howa
 Ane ganda ane nyama hazvienzani neane howa
 Ane ganda ane nyama hazvienzani neasina
 Ane marengenya haacharike moto
 Ane marengenya hadariki moto
 Ane mhuri kwayo ndeane ndume ane mhurikadzi vaenzi

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Ane mombe yake anoziva makumiro ayo
 Anokuti chengeta mwana wako, anoti ugozotuma zvako
 Anokuti rima ati udye

 Anonyumwa bere kurira ndouya akazora manda


 Anonyumwa bere kurira ndeane manda
 Anorwara anoonekwa nekutsvaga n'anga
 Anyumwa bere nderake
 Anoti chengeta mwana wako anoti ugozotuma zvako
 Apo moyo unoda gwanzi harisviki
 Apota nechuru aenda
 Apotera atya
 Apunyaira haashayi misodzi
 Aridza mhere atya
 Ashamba haanokorerwi
 Ashunya agwa
 Ashunya arwa
 Atandavara aguta apfunya ndowavata nayo
 Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro
 Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba mhapa
 Ateya mariva murutsva haachatyi mhapa kusviba
 Ateyera mariva murutsva haachatyi kusviba magaro
 Atosvorwa haaringwi kumeso

 Atosvorwa haatariswi kumeso


 Atota haachatyi kufamba mudova
 Atswinya arwa
 Ave mauya mauya kufa kwomukadzi kwakanaka
 Avengwa anhuhwa
 Avhiya chidembo chiveza achatyirepi
 Avhiya chidembo chiveza haachatyi
 Avhiya dembo chiveza achatyirepi
 Avhiya nyemba chiveza achatyirepi
 Avhuyira mbudzi kumusana kunzi vana vakwane
 Aniwa haachatyi kufamba mudova

 Baba muredzi mwana kuchema anodaidza amai


 Badza guru ipa murimi, kuripa simbe inovata naro
 Basa mangwanani
 Benzi bvunza rakanaka
 Benzi kunge riri rako kudzana kwaro unopururudza
 Benzi nderako kudzana unopururudza
 Benzi raramba mbanda harirapiki
 Bere zvarakatya mapapata aro mangani

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Bhuru rasarira kumashure rasarira shamhu

C
 Chada moyo hachikoni moyo, moyo chiremba
 Chada moyo hachikoni, moyo ndishe
 Chadeuka chaenda mvura yeguchu haidyorerwi
 Chafamba chasvava
 Chafamba kamwe hachiteyiwi
 Chaibva chaora ngachichidyiwa nokuti usiku igore
 Chaibva chaora ngachipere usiku igore
 Chaibva ngachichidyiwa kusiya hachipedzi nzara
 Chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo
 Chairambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma
 Chaishe chinodyiwa neagara padare
 Chaita chikoo chapembedzera
 Chaitemura chava kuseva, chaiseva chava kutemura
 Chaiti chururu chapwa, nhasi tsambarafuta rava igo
 Chaitotsa chokanya, chaikanya chototsawo
 Chakachenjedza ndechakatanga
 Chakadapo here kutora zanda kuita nhekwe
 Chakafukudza dzimba matenga

 Chakaenzanwa ibvudzi, upfumi hauna kuenzanwa


 Chakafukudza dzimba matenga
 Chakakodza bere mapfupa
 Chakakodza nguruve hachizivikanwi
 Chakakodza nguruve mapfupa
 Chakakodza nguruve mashamba
 Chakanaka chakanaka imbwa haihukuriri sadza
 Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi munyu
 Chakangwadza ndechakatanga
 Chakata iri pasi ndeya vanhu vose asi iri mumuti ndeye wagona kukwira
 Chakata kutsvukira mumuti hunzi ndipotserwe.
 Chako ndechako, kuseva unosiya muto
 Chako ndechako, pfuma yenhaka inoparadza ukama
 Chako ndechawadya chesango mutoro wamambo
 Chakona chakona amai havaroodzwi
 Chakupa ronda chati nhunzi dzikudye
 Chakura chinotamba chichiringa kwacho
 Chandiwana nhasi, chichazokuwanawo mangwana
 Chapadare chakakandwa parurimi rwavapfuuri chomumba chiri mumhepo
 Chapfakanyika chati chipenengurwe

 Chapera chii hwedza ndinhasi usiku haurire shiri


 Chapinda kamwe hachiteerwi

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Chapinda kamwe hachiteverwi
 Chara chimwe hachitswanyi inda
 Charamba charamba pfuma yaamai haikanirwi
 Charehwa mutupo chaera
 Charehwa paruzhinji ibembera
 Charova sei chando chadzinga ishe padare
 Charova sei chando chakwidza hamba mumuti
 Charovedzera charovedzera bere rakatiza negwazo rembudzi
 Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba
 Chashe chinodyiwa neagara padare
 Chasosodza chava chitiyo
 Chati go chatema
 Chati homu chareva
 Chatiza gumbo musoro waona
 Chatorwa nomucheche chatorwa nashe
 Chauya chauya rufu harurambwi
 Chava chigondora chava chimombe, kutadza kutunga urema hwacho
 Chawana batisisa mudzimu haupe kaviri

 Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa


 Chawira pasi mudzimu wembwa
 Chawira pasi imbwa inototi mudzimu wayo makweva
 Chaza masikati charamba ndima, chaza usiku charamba hope
 Chedaunha chine musoni
 Chedaunha chiri kumusoni
 Chegudza chiri kumuruki
 Chegudza chiri kumukuru
 Chembere masikati usiku imvana
 Chembere mukadzi hazvienzani neasina
 Chembere mukadzi hazvienzani nokurara mugota
 Chembere ndeyembwa yomumwe ndibaba vevana
 Chembere ndeyembwa yomunhu inofa ichigurukuta
 Chembere ndeyeshumba yemombe inodyiwa nyama
 Chembere yorasika bere rorutsa imvi
 Chembere yoshaika bere rorutsa imvi
 Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi

D
 Dai ndakaziva haabatsiri
 Dai ndakaziva haitungamirire
 Dai pasina nyimo makunguwo aizodyei
 Dai yaiva mbeu yaidyarwa kumacheto kwomunda
 Danda haripotsi rutsva kaviri
 Dare harivengi mhunhu rinovenga mhosva
 Dare harizondi mhunhu rinozonda mhosva

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Dembo harivhiyiwi pane vazhinji
 Dhimba kushaya besu usati in'ana
 Dindingwe rinoda richakweva rimwe kana iro ro...
 Dzafura churu chinwe dzava nzivani
 Dzaive nhungo dzave mbariro
 Dzapinda musuwo ramambo dzawira mumuzinda
 Dzatsva nyemba kuuya dzarungwa
 Dzawira mutswanda hadzichanetsi kunongera
 Dzawira mutswanda hadzichanetsi kuworera
 Dzimba dzinotsva dzakavimbikana
 Dzingidzi gonyera pamwe maruva enyika haperi
 Dzinoenda nokudyana
 Dzinofura dzivani
 Dziva guru idivakamwe, rwechipiri unowana makarwe asvinura
 Dziva rine ngwenya ----

 Dzvinyu kudzambira zuva huona mwena


 Dzvinyu kuzambira zuva huona bako

 Enda kumupanda wenyoka kwete kuna vapfumi

 Fare fare tindike!-


 Findikirai panotamba ndumure
 Findikirai panotamba pwere
 Fungira mumoyo rwendo rwemba

 Gakanje kunyangata zvaro, asi kuruma harigoni


 Garwe haridyi chebamba, charo chinoza neronga
 Gavi rakabva kumasvuuriro
 Gengezha mukmbe hazvienzani nokunwira mudemhe
 Godzi paakadya nhiyo haapakanganwi
 Gomba harina mwana
 Gombarume kudze soro kukudze dumbe hunge ...
 Gomo guru rakapera nekumwaukira
 Gona haribati pasina rimwe
 Gondo harishayi, kuti rikashaya rapunga marara
 Gondo kuengerera raona zumbu
 Gonzo hariiswi mudura rine nzungu
 Gonzo mhini gara mumhango chomudzimu chiku...
 Gore haribvi pakabva rimwe

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Gore harizi pakaza rimwe
 Gore musandu
 Gore nderino
 Gore rinorima nyope mvura hainayi
 Gore rinorima simbe mvura hainayi
 Gore nderino
 Gotsi rutsito
 Gudo guru peta muswe vadiki vakutye
 Gudo haripinzwi mudura
 Gudo harivingirwi pachiro
 Gudo harivingwi pachiro
 Gudo kuipa kuipa zvaro, asi haridyi chakafa choga
 Gudo kutya zvaro asi haribati mwana
 Gunde repwa rinonaka, asi hariiswi mudura
 Gunguwo kuseka zizi muromo uchinge demo
 Gunguwo rakapona nehwaku-mukwaku
 Gunwe rimwe haritswanyi inda
 Guyu kutsvukira kunze mukati muna masvosve

 Hakuna mutunhu usina datya


 Hakuna mutunhu usina rinda
 Hakuna nyika isina rinda
 Hakuna chinonakira chimwe
 Hakuna imba isina gonzo
 Hakuna mvura isina chura
 Hama haipiwi munhu

 Hama haitengwi
 Hama ihama hazvienzani nemutorwa
 Hama maoko
 Hama ndishe
 Hamba hairemerwi nemakwati ayo
 Hanga ikafa vana vanosara voparara
 Hanga inobatwa nemauruko mana
 Hapana angagone chisingagonekwi naGone
 Hapana chembwa, vatenzi vararira maputi
 Hapana chinonakira chimwe
 Hapana chisingawanisi
 Hapana imba isina gonzo
 Hapana mhou inokumira mhuru isiyayo
 Hapana muchero usina masvisvinwa
 Hapana mukuyu unovinga shiri
 Hapana mutunhu usina guva
 Hapana nyoka inochenera moyo chisi chayo

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Harahwa mbiri hadzibidzani rwizi
 Harahwa mbiri hadziyambudzani rwizi
 Hari haiviri isina mukuchidziri
 Hari mbiri dzinovirirana hadzina mabikiro
 Heya baravara ndiwo magariro kutuka mwene ...
 Hombarume haati shura nesango
 Hombarume haityi mumwe
 Hope hadzina ndima

 Kabva muzai kava shiri


 Kachekacheka kanyama kamakonde
 Kakara kununa kudya kamwe
 Kama wakaringa nzira chimombe chokuronzerwa
 Kambudzi kuzvarira pavanhu hunzi nditandirwe imbwa
 Kamhuhomba kadiki kanoyeredza
 Kamoto kamberevere kanopisa matanda mberi
 Kamusha kari papa kunga usati wagara mukati mako
 Kana museve woda nyama unodauka pauta
 Kana shumba ikarura inodya tsangadzi
 Kana shumba ikashaya nyama inodya uswa
 Kana wodya imbwa, idya hono
 Kandiro enda kandiro dzoka
 Kandiro kanoenda kunobva kamwe
 Kandiro kanopfumba kunobva kamwe
 Kangoma kanoririsa ndiko kanotsemuka
 Kanyembana kumera munyemba hunzi ndava nyembawo
 Kanyenye kotsakatika gondo roonekwa rakaruma nyama
 Kare haagari ari kare
 Kari pako ikonje rinofunda nechrimo
 Kaseka urema hwokuti kamba makwati iko kainawo

 Kashiri kakachenjera kanovaka dendere neminhenga ye...


 Kashiri kashaya besu hakanzi inyama
 Kashiri kasingapambari hakanuni
 Katsindi kuchema huona mhango
 Katekete chirevo
 Kiti negonzo hazviiswi panzvumbo imwe ...
 Komoringa deyateya ndikomairidigikira
 Kubaya tanga hama vatorwa vakutye
 Kubereka misodzi yawanda

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Kubikira mweni kumudzinga
 Kubira rwizi rwakazara kuziva kusambira
 Kubudisa munhu murutsva, uchimukanda mumvura ...
 Kubvuma rwendo kweane gumbo
 Kubvuma rwendo kwomwana muduku rwake rwuri ...
 Kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene wayo
 Kuchenjedza vanyamukuta kuzvara uchada
 Kuchenjera kuruka nhava
 Kuchera mbeva hukomberana
 Kuchingamidza n'anga neinobata amai
 Kuda chinhu kureva, kunyarara hauchiwani
 Kudada kwevari mugomo kukumbira vari pasi ma...
 Kudada kwavari mugomo kukumbira tsvairo vari mu...

 Kudada kwavari pasi kukumbira varimugomo mvura


 Kudya chomungozva hubata mwana
 Kudya kakara kanyama kanopakatira pazino
 Kudya nyemba navauya dzinowana muzvimbiri wadzo
 Kudya nyemba navauya dzouya dzozvimbira nherera
 Kudya tadya zvedu asi hurindo ndohwedenga
 Kudzinga shiri nomuseve mumwe chete
 Kudzinga tsuro netsvimbo mbiri, imwe ikapotsa imwe yorova
 Kudzipwa neganda nyama iripo
 Kudzivirira kwakakunda kurwa
 Kufa hakurambwi
 Kufa hakuurayi
 Kufa izuva rimwe kuora igore
 Kufa kwaro gonye matanda anosekerera
 Kufa kwegono kubuda ura
 Kufa kwehanga mazai anoparara
 Kufa kwehosi inosiya imwe
 Kufa kwemurume kubuda hura
 Kufanana vhudzi hahuzi ihwo hukama
 Kugara hunzwana nevamwe
 Kugara kunzwanana
 Kugara mwina kutevedza unoguma
 Kugadza nhaka huona dzevamwe

 Kugara nhaka huona dzevamwe


 Kugara nhaka kuona pane dzevamwe
 Kugarika tange nhamo, rugare rugotevera
 Kugocha kunoda kwaamai, kwomwana kunodzima ...
 Kugona mbavha huirongera
 Kuita mandiri asiri pamunhu
 Kuita mapfumo ita maviri, kupotsa kwe...
 Kukanya mukaka hurangana

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Kukava dafi kuriyambutsa
 Kukava datya kuriyambutsa
 Kukokwa kwasamusha kukokwa kwavagere naye
 Kukonwa kwedare kukonwa kwamambo
 Kukurukura hunge wapotswa
 Kukwira gomo hupoterera
 Kumuzinda hakuna woko
 Kune chirema hakuna rufu
 Kune wako hakuna kurefu
 Kuneta kwomukuyi sadza rinodyiwa navagere
 Kungotya nyanga dzezizi nyamba manhenga
 Kungwara kukosha ngoyi
 Kunokanganwa mudyi wenyemba muworeri wama...
 Kunyengerwa hakuna wakura, ndakanzi shwi...

 Machongwe maviri haariri pamutanda mumwe


 Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe
 Made etsvimborume okudya yakawaridza
 Mafutura avakatangapo kare kususukudza svingo ...
 Mago anoruma mutokonyi
 Mai musiva usingasehwi mumuto
 Mai vevana kufa pwere dzinorezverwa nani
 Maisiri haatyi mashura esango
 Majichimbo chimbo anofara musi wafa kondo ziso
 Makudo anosekana mahobi
 Makudo anosekana makuma
 Makudo makuru anochera pedyo nechiro
 Makunguo zvaakatya, akafa mangani
 Makungurunye kuringana kwavanhu vakaramba
 Makunun'unu maodzamwoyo
 Manakira kure mvura yemubvumbi
 Manatsa mukanwa, harahwa kurota ichiyamwa
 Manatsa mukanwa ndonda kurota ichiyamwa
 Manatsirapwere imhanje
 Mandikurumidzira akazvara mandinonokera
 Manenji kuona ingwe ichitamba nembudzi

 Mangachena inoparira parere nhema


 Manhanga anowira kusina mhodzi
 Manhanga anowira kusina hari
 Manomano echakata kutsvukira mumuti kuti ndipo...
 Manomano emuroyi kunyepera kutya dzvinyu aka...

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Mapango makuru haavake ----
 Maoko ihama
 Maoko maranda
 Mapofu maviri haatungamirane
 Mapudzi anowira kusina hari
 Maramba kukombwa maramba hweni
 Maronda asiri ako anonhuwa
 Masevera usavi hwenhamo
 Mashoko maturirwa haasungi musha
 Mashura anotanga mberi
 Matakadya kare haaembedzi mwana
 Matakadya kare haanyaradzi mwana
 Matakadya kare haanyengedzi mwana
 Matanda makuru mazunguniswa, pamwe unosiya nerisina ...
 Matanda masairirwa, unosenga nerakaora
 Matanda masairirwa, unosenga nerine muchenje
 Matanda masairirwa, unosiya nerakaora
 Matanda masairirwa, unosiya nerine muchenje

 Matanda mayererwa unorekera nevokoto


 Matende mashava anoshaisha doro
 Matende mashava anovazha doro
 Matende mashava huvazha doro
 Matsotsi haagerani
 Matukano akabva munyaya
 Matukano anobva munyaya
 Matukirwo ababa kunema mwana
 Mazano marairanwa
 Mazvokuda kufa nemaronda enyora
 Mazvokuda kurumwa nechokuchera
 Mazvokuda kurumwa nechokudongorera
 Mazvokuda mavanga enyora
 Mbavha imbatwa, mbavha rustoka imbatwa
 Mbeva zhinji hadzina marise
 Mbeva zhinji hadzina mashe
 Mberi kwenzara maguta
 Mbira yakashaya muswe nekutumira
 Mbiri matende inoputstika
 Mbizi yakashaya nyanga nekutumira
 Mbudzi kudya mufenje hufananyina
 Mbudzi kukwira mufuta kufana rudzi
 Mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi nditakurirwe mwana
 Mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi nditandirwe imbwa
 Mbudzi yafura mumera yatorunza
 Mbwende haina vanga

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Meso akamboonana haashayani
 Meso akamboonana ukama
 Meso haana muganhu
 Mhamba haibiwi
 Mhaka haiori
 Mhanza chironda, inotevera akura
 Mhanza mambure
 Mharadzano dzakabva munzira
 Mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu
 Mhizha mbiri hadziwirirane
 Mhondoro kurura inotanga wayo
 Mhosva haiovi
 Mhosva hairovi
 Mhosva haizvitongi
 Mhosva inorondwa hapana mhosva yakaita honye
 Mhosva mbiri hadzina matongero
 Mhosva mwene wayo
 Mhosva ndeyomumwe vazhinji vapupuri
 Mhosva ndeyomwemwe vazhinji zvapupu
 Mhosva yomumwe mangwana ndeyako
 Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa
 Miromo yavakuru haipotsi
 Miromo yavakuru inoreva zviera
 Miromo yavanhu haipotsi
 Miromo yavanhu haiwiri pasi

 N'anga hadzifarirani
 N'anga haizvirapi
 N'ai kwadzo ndedzomucheche dzomukuru...
 Natsa kwawabva kwaunoenda husiku
 Ndakaziva haitungamiri
 Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma
 Ndezvehuru, doko dzinonyika miswe
 Ndezvowabaya kuti chiropa hachiseveswi sadza
 Ndima yabatwa yasundika
 Ndima yasakurwa haidzoki
 Ndingagorega sei kununa ini ndiri parumano
 Ndiniwo here ndakati jedye ngariteme muswe
 Ndisvike-ndisvike inoradza vazhinji panzira
 Ndiyo hayo nyama yousina imbwa
 Ndoita nzwira pamuviri tsvimbo yarova dapi
 Ndomene haichemedzi
 Ndongwe inyama hazvienzani mumhodzi
 Ndongwe inyama hazvienzani nenhikiti

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Ndumudzani hadzidyi mundiro imwe chete
 Ngewacho kufuka jira idzva rinotsva
 Ngezvehurura doko dzinonyika miswe
 Ngezvemo zvimbutu zvamaonde
 Ngoma muna wayo
 Ngoma muridzi wayo
 Ngoma ndedzemiti kana dzikatsemuka ti...

 Ngoma tamba vamwe vachatamba


 Ngozi nehama hazvisiyani
 Ngozi yerombe igandanzara
 Ngozi yerombe ijekakwose
 Ngwena haidyi chebamba chayo chinoza neronga
 Nhamo hadziiti mbiri
 Nhamo haioni pakagara imwe
 Nhamo haityi imwe
 Nhamo haizivi pakagara imwe
 Nhamo ine dzimba dzayo
 Nhamo ndeyavanhu suka maoko
 Nhambetambe inoregwa ichanaka
 Nhamo inhamo zvayo amai havaroodzwi
 Nhamo urimbo inonamira
 Nhamo yemumwe haiburitsirwi musodzi
 Nhamo Nhamo yemumwe hairadzisi musoro pasi
 Nhamo yemumwe hairambirwi sadza
 Ngozi yerombe igandanzara
 Nhanga rokurunzira ndimandiparika ngozi
 Nhasi chineni, mangwana chinewewo
 Nhasi haasiri mangwana
 Nhava inorema yasvika
 Nhava yebenzi haitani kusakara
 Nherera inoguta musi wafa mai
 Nherera inozvichengeta pachayo
 Nherera inozvichengeta yoga

 Nherera panorayirwa vana vavapenyu iwe inzwawo


 Nherera panoudzwa vana vavapenyu iwe inzwawo
 Nhiyo kuenda kudzani huona mai
 Nhonhongora kudya chayo kukumbirirei uchi ....
 Nhowo haireri munhu
 Nhumbu ibakwa rehuni inochengeta nyoka ne...
 Nhumbu inorema yasvika
 Nhumbu iziso risingatauri zvaraona
 Nhumbu mukadzi mukuru hairevi chayadya
 Nhumbu mutseye haitauri chayadya
 Nhunzi haimhari pasina chironda

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Nyakuravira ndiye anoziva kuti nyama yaibva
 Nyamunatsi ndiye nyamutsigwa nebonda
 Nyamusi handi mangwana
 Nyika mukanza, haina mukwambo
 Nyika vanhu
 Nyoka huru haizvirumi
 Nyoka inochenera chayo samaserwe
 Nyoka inoruma aidenhai
 Nyoka yapinda mumwena hainyombwi
 Nyoka yemvana yakazvara mbavha nevaroyi
 Nyuchi dzinoruma ndedzine uchi
 Nzambiringa kumera munyemba hanzi ndava nyemba

 Nzanga inokura yerema yomuchenjeri inoparara


 Nzara haina-----
 Nzara haisukwi setsvina
 Nzara haitori chikukutu
 Nzara inodyisa mutupo
 Nzara ishuramweni
 Nzira ine minzwa ndiyo ine ushe
 Nzira masanga
 Nzombe huru yakabva mukurerwa
 Nzou haikarari in makaka
 Nzou hairemerwi nenyanga dzayo
 Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori
 Nzou yakaramba kuudzwa ikabuditsa nyanga nemumukanwa
 Nzou yakaramba kuudzwa ikabuditsa nyanga nemumuromo
 Onde kutsvukira kunze mukati muna masvosve

 Pabva bango pasekesa


 Pabva gondo pagare zizi vende
 Pabva zino panosara vende
 Pabva zino rave vende
 Pachapwa madziva miramba tichanyurura
 Padoko padoko hapadzokeri shure
 Padoko padoko kudya kwamadora
 Paduku paduku hapadzokeri shure
 Paduku paduku kudya kwemadora
 Pagara murimi pagara mupopoti
 Pakukutu hapaurayi
 Pamudzimai usiri wako usasungiria nhewe chena
 Pane danga pane mombe pane hundi pagara hurudza

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Panoda moyo gwanzi haisviki
 Panodya ishe varanda vanodyawo
 Panomera muswe panonyeredza
 Panorairwa mwana washe muranda terera
 Panorwa hama nehama mutorwa bvira kure
 Panotamba machinda nherera simuka
 Panotamba machinda nherera sinyungwe
 Panotorerwa chirume demo panosara mutsunetsune
 Papfumba mwezha pava nomwena
 Papfumba pava nomwena
 Pashoma pashoma kudya kwendongwe
 Pashure penzara panotevera maguta

 Pasi mupindu panopinduka


 Pasina nyimo makunguo aizodyei?
 Patemwa tsoka rava bombo
 Patemwa tsoka rava vende
 Pfavira ngoma usiku hurefu
 Pfimbi huru iri mumwoyo
 Pfini inenge yenda inoruma akaitakura
 Pfini yenyoka kungoruma icho isingadyi
 Pfuma yemukwasha idya uchichengeta ...
 Pfumo rimwe harina ukomba
 Potsi haarwirwi anorwirwa ndiPiri

 Rabva ngedera denhe kupinda gaya


 Raita gonzo ragara pamukangesi
 Rambakuudzwa akazoonekwa nembonje ...
 Rega kusanganisa mombe dzako nedzashe
 Rega kutanda tsuro wakabata munyu
 Rega kuyera nyoka negavi iyo iripo
 Regai dzive shiri, mazai haana muto
 Regai kufananidza nguo nedzaTarubva
 Regai ndiseke zvangu vanhu vakuhire
 Regai zvipore akabva mukutsva
 Rera kamunhu mangwana kanokurerawo
 Reva ishe wakakwira pachuru
 Rina manyanga hariputirwe mumushunje
 Rinonyenga rinohwarara rozosimudza musoro rawana
 Rombe kunyangodzana haripururudzirwi
 Rombe ngerichaenda rodzoka ndimambo

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Rombe pakata hana mukaka ndowavaridzi
 Rombe rinosekwa richaenda kana ro...
 Rudo harutumi anoramba
 Rudo ibofu
 Rudo moto unotokuchidzirwa
 Rudo ndimawarire mavanza urema
 Rufu haruna ishe
 Rufu haruna ndanatsa
 Rufu haruna n'anga
 Rufu haruna nzira
 Rufu haruwadzirwi bonde
 Rufu haruwadzirwi nhoo
 Rugare rwedafi runouya nemvura kunaya
 Rugare rwenda kuruma akaitakura
 Rukodzi haashayi kana ashaya anokuwa ...
 Rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo
 Rume rimwe harikombi churu
 Rume risinganyepi hariroori
 Rutsoka ndimarase
 Ruzambu kugara munyemba rwoti ndava nyembawo
 Rwaivhi kufamba zvishoma asi shungu ...
 Rwaivhi kupinduka nhando irwo rwusingagoni kuruma
 Rwavhi kufamba zvishoma asi shungu ...
 Rwendo rewimbwa rwuri mumoyo
 Rwizi runozadzwa nemadiriro
 Rwizi ruzere haruedzwi negumbo

 Rwizi rukuru kupwa mombe dzinonwei


 Rwizi runokura nezvikova
 Rwizi ruzere haruedzwi negumbo
 Rwizi rwunokura nezvikova
 Rwomuranda rwakoneswa norwashe rwa...

 Sadza huritamburira hapana angaridya ...


 Sadza naku ibvutidzanwa
 Sakunaka ndiye sakubaiwa
 Sakunatsa ndiye sakubaiwa
 Samoyochena ndiye nyamutsvirwa nemba
 Sango kuipa zvaro asi haridyi munhu
 Sango rinopa waneta
 Seka benzi waguma ura
 Seka urema wabuda mvi
 Seka urema wafa
 Shambakodzi/tsaiya yakarindwa haiviri

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Shiri huru haibatwi nehundi
 Shiri inemuririro wayo hairegi
 Shiri ipinda haipedzi mhunga
 Shiri yemusaririra ndiyo yemhina
 Shumba huru yakabva mukurerwa
 Shumba ikarura inodya tsangadzi
 Shungu dzembwa dziri mumwoyo, kuhu...
 Shura rinotanga mberi
 Simba mukaka rinosinira
 Simba mate hariperi
 Simba rehove riri mumvura

 Takabva neko, kumhunga hakuna ipwa


 Takazvida haachemedzi
 Tambe tambe vanoda varivo
 Taramuka panotamba dera
 Tenda muchero wadya zvinogadza mwoyo
 Tenda wakohwa zvemunda wezunde
 Tendai muchero ugowisa
 Tichaona kunowira tsvimbo nedohwe
 Totenda dzanwa mombe, dzaswera nebenzi
 Totenda maruva tadya chakata
 Totenda nyemba tanwira mvura
 Totenda yabikwa imba yepwere
 Totenda yavira tsambakodzi yedemhe
 Tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi
 Tsenzi inogara yadyiwa
 Tsimba kaviri kurwa nomukadzi wousipo
 Tsuro haipinyuki rutsva kaviri
 Tsuro kotsa muromo
 Tsvaga zano iwe une rakowo
 Tsvaru akadana tivu
 Tsvimborume kutandara nemvana moyo ...
 Tswanda inorema yasvika
 Tukara kununa hudya
 Twemudenhe tune ushorwi

 Ubatebate hunoparira
 Ubatebate hunourayisa
 Ugaro mwena kutevedza hunoguma
 Ukadzinga tsuro mbiri imwe inopunyuka

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Ukama hahusukwi nemvura hukabva
 Ukama hunonhuwa
 Ukama igasva hunozadziswa nokudya
 Ukama urimbo kudambura hahubvi
 Ukangosekerera hwiza mangwana dzino...
 Ukanzwa bofu richiti rinorova, pane parakazendama
 Ukaravidza chembere nyama inofira musango
 Ukuru hurema hahuvanzwi
 Umambo hutambidzwana
 Umba hwehosi husina marevere
 Umhandara idambakamwe
 Unaki hwemukadzi huri pamwana
 Ungokutukira badza ungokupa upfumi
 Upfumi hahuna kuringanwa chakaringanwa ivhudzi
 Upfumi idova, hautani kupera
 Ura mapako hunozvara mbavha nomuroyi
 Urombo hune nherera kudya ikarutsa
 Urombo hwayo mhembwe kufa iri pamusungo
 Urombo hwamatende kunayiwa nemvura ...
 Urombo hwenherera kupakwa ichirutsa
 Urombo uroyi hauudzwi munhu
 Usabata matope pasina mvura
 Usachenjedza n'anga kurapwa uchada
 Usadzinganisa tsuro nemunyu muchanza

 Usaguta ukasunda dura -----


 Usajaidza makudo neanokamhina
 Usakangira nyimo vane meno avo havo
 Usakusha mbeu mvura yaenda
 Usaona imbwa kuchenama ukati inokusekerera
 Usapambe chomupfumi nokureba
 Usapedzera tsvimbo kuna vanamakuwe ...
 Usapinza munwe mumwena unobuda wareba
 Usarume muromo wenzombe inopura zviyo
 Usaravidza chembere muto wegwaya, mangwana inofira ...
 Usarume muromo wenzombe inopura zviyo
 Usaruka nhava sora ratsva
 Usashore nyemba nedzinozvimbira
 Usatanda hwiza idzo tsuro dzichauya
 Usatanga kumedza kutsenga uchada
 Usatsindire mwena unobuda ishwa
 Usatuka nyamukuta kuzvara uchakuda
 Usatsvaga nhava muuswa iro sora ratsva
 Usavaka danga pasina mombe
 Usaverenga mbeva nemidune
 Ushe hauzvitongi

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Ushe hukokwa, hunotokokwa kuna vamwe
 Ushe hunonyanga dera
 Ushe hunonyangira rema
 Ushe husiyirwana

 Ushe idova hunopararara


 Ushe imhute hunoprara zuva rabuda
 Ushe imhute inoparara zuva rabuda
 Ushe madzoro hunoravanwa
 Ushe muzhanje hunokuva
 Ushe vuranda
 Usiku humwe hauodzi nyemba
 Usiku igore zuva igore
 Uswa hwenyati ndohuri mudumbu huri ...
 Utsva hworurimi hahuna marapiro
 Utsi hwenyama hautosvori
 Uzivi hwenzira huri mugumbo

 Vadani ndivo vakani


 Vagere pachavo vangonyinda
 Vakachenjera havasvairani mbeva
 Vakafa vakazorora
 Vakafumira mangwanani hwiza dzichakabatwa ne...
 Vana vengwena havakuriri mudziva rimwe chete
 Vari kuno vanoshura, vanoviga nherera mhenyu va...
 Vari pachavo chikurikuri
 Vari pachavo vanokwenyana
 Vataiturira matohwe nhasi ndivo votiseka maparapadzwa
 Varume varume kutsva ndebvu vanodzimurana

 Yadeuka yadeuka mvura yemuguchu haiorerwi


 Yadya muunga nzou kupinda mushenje
 Yafamba kamwe haiteiwi
 Yatsika dope yanwa
 Yatsika musheche yanwa
 Yave nhamburiko nyama yomusoro hairumikwi
 Yeuka hama mutorwa ane hanganwa

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


Z

 Zano hunge une rakowo


 Zano marayiranwa
 Zano marairanwa
 Zano moto rinogokwa kuna vamwe
 Zano mwene waro
 Zano ndega akasiya jira mumasese
 Zano ndega akapisira nhere mugukwa
 Zano ndoga akapisa jira
 Zano panga uine rako
 Zano vaviri
 Zevezeve chirevo
 Zhara inodyisa mutupo
 Zidutururu ndiro rinouraya nzou
 Ziitakamwe gava kudambura musungo
 Ziitakamwe gava radambura musungo
 Ziitakamwe mimba yousikana
 Zimuonde ziguru kupunzika pwere dzinovanda pai

 Zimutsa bope kudyidzana nembwa


 Zimutsa nharo kudyidzana nembwa
 Zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi
 Zino irema rinosekerera newarisingade
 Ziriwo rechembere ziramba-waravira
 Ziso rimwe harina ukomba
 Ziso rinokunda akabvisa mombe
 Ziva kwawakabva nokuti mudzimu weshiri uri mudendere
 Ziva kwawakabva kwaunoenda husiku
 Ziva nemoyo kusambira kweimbwa
 Zizi kurungwa munyu roti, "Ndava hukuwo"
 Zizi kuswera muhuku kunzi ndave hukuwo
 Zongororo kugonya haro asi shungu rinadzo
 Zundu kugara mumombe hanzi ndave mombewo
 Zuva igore rinodoka rava namarevo mavi namavuya
 Zuva rimwe hariodzi nyama
 Zuva rimwe haripedzi dura
 Zuva rimwe haripedzi nyaya
 Zuva rimwe hariradzi munda
 Zvine manenji dede kuwa mumuti

 Zvaita sei kuti chembere yorasika, bere rorutsa imvi


 Zvikoni zvikoni, mimba haibvi negosoro
 Zvine manenji kuti gudo ripunzike mumuti
 Zvinova ngegore mukonde kufa dziso
 Zvinhu zviedzwa chembere yekwa Chivi yakabika mabwe ikasvuta muto

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Zvinokona zvine hata, chembere ichikoniwa musoro wenzou
 Zvinonyadza mutauri kuti mbudzi yaba nyama iyo imbwa iripo
 Zvinorema zvinoda makono
 Zvinozivikanwa nevhu kuti mwana wembeva anorwara
 Zviri kumvana kubara mwana asina baba
 Zviri kumvana kuzvara mwana asina baba
 Zviri kumwene wejira kufuka kana kuwarira
 Zviri musango zvinosekana, pfunye ikaona hoto inoseka
 Zviri pavanhu chitunha hachifambi choga
 Zviri pavanhu matengu haafambi oga
 Zviri pavanhu zvitanda hazvifambi zvega
 Zviururwi zvinofara kana kondo afa ziso
 Zviuya hazvidondani
 Zviuya hazviwanani

 Zviwadzani ndizvo zvikondorani


 Zvoti mwana otsva kudumbu, amai votsva kumusana

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017

You might also like