Professional Documents
Culture Documents
Tsumo Dziri Muchishona
Tsumo Dziri Muchishona
BY MATIZHA T
A
Abereka otochena mwoyo
Achemedza mbudzana yake akura
Adziya moto wembavha
Afa, afa nemuromo wake
Afa anaka
Afamba apota
Afa nemaronda enyora haachemwi
Afira nyora haachemwi
Afirwa haaringwi kumeso
Afirwa haatariswi kumeso
Ageza haanokorerwi
Agumhina afamba hazvienzani naTigere
Aguta haaoneki
Aita chake ndihombarume
Aita twake ndihombarume
Aiva madziva ava mazambuko
Aiva maguta ava matongo
Aive mazambuko ave madziva
Akanga nyimo avangarara
Akazvara sekera muchitende
Akonwa haasiyi mudzimu warembera padare
Akumbira banga kuti azivikanwe kuti abaya
Akupa damba regavi ndewako
Akupa dhamba ndewako
C
Chada moyo hachikoni moyo, moyo chiremba
Chada moyo hachikoni, moyo ndishe
Chadeuka chaenda mvura yeguchu haidyorerwi
Chafamba chasvava
Chafamba kamwe hachiteyiwi
Chaibva chaora ngachichidyiwa nokuti usiku igore
Chaibva chaora ngachipere usiku igore
Chaibva ngachichidyiwa kusiya hachipedzi nzara
Chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo
Chairambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma
Chaishe chinodyiwa neagara padare
Chaita chikoo chapembedzera
Chaitemura chava kuseva, chaiseva chava kutemura
Chaiti chururu chapwa, nhasi tsambarafuta rava igo
Chaitotsa chokanya, chaikanya chototsawo
Chakachenjedza ndechakatanga
Chakadapo here kutora zanda kuita nhekwe
Chakafukudza dzimba matenga
D
Dai ndakaziva haabatsiri
Dai ndakaziva haitungamirire
Dai pasina nyimo makunguwo aizodyei
Dai yaiva mbeu yaidyarwa kumacheto kwomunda
Danda haripotsi rutsva kaviri
Dare harivengi mhunhu rinovenga mhosva
Dare harizondi mhunhu rinozonda mhosva
Hama haitengwi
Hama ihama hazvienzani nemutorwa
Hama maoko
Hama ndishe
Hamba hairemerwi nemakwati ayo
Hanga ikafa vana vanosara voparara
Hanga inobatwa nemauruko mana
Hapana angagone chisingagonekwi naGone
Hapana chembwa, vatenzi vararira maputi
Hapana chinonakira chimwe
Hapana chisingawanisi
Hapana imba isina gonzo
Hapana mhou inokumira mhuru isiyayo
Hapana muchero usina masvisvinwa
Hapana mukuyu unovinga shiri
Hapana mutunhu usina guva
Hapana nyoka inochenera moyo chisi chayo
N'anga hadzifarirani
N'anga haizvirapi
N'ai kwadzo ndedzomucheche dzomukuru...
Natsa kwawabva kwaunoenda husiku
Ndakaziva haitungamiri
Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma
Ndezvehuru, doko dzinonyika miswe
Ndezvowabaya kuti chiropa hachiseveswi sadza
Ndima yabatwa yasundika
Ndima yasakurwa haidzoki
Ndingagorega sei kununa ini ndiri parumano
Ndiniwo here ndakati jedye ngariteme muswe
Ndisvike-ndisvike inoradza vazhinji panzira
Ndiyo hayo nyama yousina imbwa
Ndoita nzwira pamuviri tsvimbo yarova dapi
Ndomene haichemedzi
Ndongwe inyama hazvienzani mumhodzi
Ndongwe inyama hazvienzani nenhikiti
Ubatebate hunoparira
Ubatebate hunourayisa
Ugaro mwena kutevedza hunoguma
Ukadzinga tsuro mbiri imwe inopunyuka