Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 5

Vana vemagwaro ekutanga vanoda dzakapfava dzinoita kuti vakqanise kubata apo

mudzidzidzisi anenge achidzidzisa . Zvakakosha kuti mudzidzisi mumwe nemumwe ave


neruzivo maererano nenzira dzaanoda kushandisa kuvadzidzi. Munhaurwa inoyi munyori
achatsanangura nzira shanu dzekudzidzisa vana vari mugwaro rwekutanga kuti vabate
kwazvo zvidzidzo zveshona . Zvidzidzo izvi zvinosanganisira yedzesero, mibvunzo
nemhinduro, kushanyira, kukoka nyanzvi ne mapoka. Mazwi achatsanangura munhaurirwa
ino ndeanoti vemagwaro ekutanga ne chishona.

Magwa (2004) anoti chishona mutauro unobva mune mimwe mitauro yakasiyana siyana
inosanganisira manyika, chindau, chizezuru, nechikorekore. Munyori anotsigira pfungwa iyi
achiti chishona mutauro unowanikwa mumitauro mizhinji zvinoita kuti vanhu vese vakqanise
kunzwanana. Harkone (2002) anoti magwaro ekutanga zvinoreva kuti munguva inoberekwa
mwana kusvikira paazoenda kuchikoro. Zvakadaro zvoreva kuti magwaro ekutanga inguva
inoveregwa mwana kubva paanozvarwa kusvika pamakore matanhatu . Unicef plan (2018)
anoti magwaro ekutanga inguva inotangangira panoitwa nhumbu kusvikira mwana akuenda
kuchikoro .

Mharidzo inzira yakakosha kwazvo inonyanya kushandiswa nevadzidzisi kudzidzisa vana vari
mumagwaro ekutanga kuti vabate chishona . Iyi nzira inoshqndiswa nemudzidzisi nguva
yakareba achitsanangurira vadzidzi vose vakagara . Munguva iyi vadzidzi vanotarisirwa
kusabvunza zvakanyanya asi kupindura mibvunzo yavanenge vachibvunzwa muchidzidzo
chacho . Nzira iyi yakangofanana nezviya zvinoitwa kana muparidzi achiparidza muchechi ,
vadzidzi vose vanotarisirwa kunge vakanyarara. Nzira iyi yakanira kuti mudzidzisi anenge
akanyatsoita tsvakurudzo yakakwana pamusoro pqmusoro pechidzidzo chaanenge kudzidzisa
kuvadzidzi vake . Iyi nzira yakanakira kuti kana nguva iri shoma asi mudzidzisi ane vadzidzi
vakawanda vose vanokwanisa kunzwa nezvechidzidzo . Inzira yakanakira kuti kana mudzidzisi
achidzidzisa chidzidzo chitsva vadzidzi vanonzwa chidakwa chekuda kuterera kubava kune iye
mudzidzisi pachake .

Kukoka nyanzvi ndiyo imwe yenzira inogona kushandiswa pakudzidzisa vadzidzi vari
mumagwaro ekutanga . Mudzidzi haagone zvese naizvozvo anotarisirwa kukoka munhu ane
ruzivo rwakadzama kana kuti kukoka nyanzvi pamusorao pezvaanenge achida kudzidzisa
kuvadzidzi vake kuti vanzwisise uye vakasike kuzvibata . Nyanzvi iyi anogaona kuva munhu
wemunharaunada , pachiko iapapo kana munhu anobavawo kune imwewo nzvimbo. Nzira iyi
inoshandiswa Nziri iyi inoshandiswa nemudzidzisi kutsvaga munhu waanoziva kuti ane
zvaanoziva zvakadzama uye achimukunda pachidzidzo ichi . Madzivadondo (2014:181-183)
anoti zvinotova Nani mudzidzisi adzidzise vadzidzi vake vega zvishoma zvaanoziva pane
kushedza munhu ane ruzivo rushoma. Anoenderera mberi achiti nyanzvi ingakokwa anofanira
kuva munhu ane ruzivo rwakadzama rwunoita kuti vadzidzi vajekeserwe nechidzidzo . Kukoka
nyanzvi kwakanakira kuti vadzidzisi vanobva vabatawo zviwe zvavasingazive pamwe
nekuwedzera ruzivo rwavo. Pakukoka nyanzvi panonetsera pakuti ivo vadzidzi vanogona
kuzofunga kuti mudzidzisi haana chaanogona kana kuti vaunenge vadana vacho vanogona
kuzofamba vachiti haana chaanogona tisu tomuitira . Kukoka nyanzvi kwakanakira kuti
vadzidzi vanobva vazivawo kuti haasi mudzidzisi wenyu chete anokwanisa kutidzidzisa asi
vamwe vanhu zvobva zvavapa mikana wokubatanidza nharaunda nechikoro.

Kushandisa vedare ndomwe mutoowo unogona kushandiswa pakudzidzisa vana vemagwaro


ekutanga kuti vabate zvidzidzo zvavo. Nzira iyi inoshandiswa kukoka vanhu vanotangira
pavaviri kusvikira pavashanu vane ruzivo rwakadzama pachidzidzo chinenge chiri mudariro.
Vanhu ava vanenge vachibvunzwa mibvunzo yakasiyana siyana vachipindura sezvinoitwa
zvirongwa zviya zvepa dzangaradzimu. Kana vedare vakabvunzwa vanowanawo mukana
wekuwedzera, kupokana kana kuwirirana nezvinenge zvataurwa nemuteereri. Vedare
vanogona kushanda panenge pachidzidziswa tsika nemagariro, izvo zvinoita kuti vadzidzi
vanyatsonzwisisa . Makon (2012) anoti Iyi nzira inopa mukana wekuti mumwe nemumwe
padare akwanise kutsanangura tsika dzekwavo zvinozoita kuti vadzidzi vakwanise kuwana
mukana wekufarira dzimwe tsika vomwedze pane dazavo.

Mapoka imwe nzira ingashandiswa nevadzidzidzisi mukudzidzisa vana vemagwaro ekutanga .


Ukudzidzisa uku mudzidzisi anoisa vadzidzisi muzvikwata kwata kuti avadzidzise. Nyoni
(2014) anoti vadzidzi vanogona kuiswa muzvikwata nemagonero ava kuitira kuti vamwe
nevamwe vafambe semanzwisisiro avo kana kuti vakasangana kuitira kuti vagobatsirana .
Nzira iyi inopa vana mukana wokutsanangurirana zvidzidzo zvinenge zviripo pamwe
nekubatsirana. Nziri iyi inoitakuti vadzidzi vadzidzi vakwanise kutsananguurirana
vasinganyare sezvo vanenge vari venzira imwechete. Inoita kuti vadzidzi vakwanise
kutsanangura kuvamwe vavo zvavanenge vanzwisisa pasina kunyara pasina kunyara kana
kuvhundutsirwa. Mufore (2014a:149) anoti mudzidzi anogona kuuyawo nezvaanoziva
ozvibatanidza nezvevadzidzi ozopavakurira vose vabva mupapoka.

Kuratidzira iwe yenzira inogona kushandiswa pakudzidzisa vana vemagwaro ekutanga kuti
vabate zvidzidzo zvavo. Nzira iyi inoshandiswa nemudzidzisi kana achichidzisa zvakaita
senziyo anofanira kuva nemarimba acho achiratidza kuvana . Nzira iyi yakanakira kuti kana
vadzidzi vakafarira chinenge chichiratidzwa vanobva vanyatsobata zvinenge
zvichitsanangurwa. Vadzidzi vakawanda vanonyanyofarira kuzviitira vega zvinobva zvaita kuti
vade chidzidzo . Vanowanawo mukana wokukwanisa kushandisa pfungwa dzavo zvakaita
sekubata,kuona nekutaura.

Nyorwa ino inoburitsa pachena kuti mharidzo, kukoka nyanzvi, kushandisa vedare, mapoka
nekuratidzira ndidzo nzira dzingabatsira pakugovera vana vemagwaro ekutanga kuti
vanyatsobata zvidzidzo zvavo. Inoburitsa zvakare kuti nzira idzi dzinoita kuti vadzidzi
vakwanise kutsananguurirana zvavqnoziva pasina kunyara , zvinoita kuti vana vakwanise
kubatanidza hukama uri pakati pechikoro nenharaunda uye kuti vazive tsika neamgariro

Kune rimwe divi dzimwe nzira dzine zvadzakayipira senzira yemapoka, nzira iyi inodya nguva.
Nzira yemharidzo yakaipira pakuti mudzidzisi ndiye ega anobvumirwa kungotsanangura vana
vakanyarara. Pakukoka nyanzvi pakaipira kuti vanenge vakokwa vacho vanogona kuzofamba
vachiti mudzidzisi haana chaanogona tisu tomuitira.

W. Magaya (2004) anoti chishona mutauro unobva mune mimwe mitauro inosanganisira
manyika, chindau, chizezuru nechikorekore. Unicef plan (2018) inoti magwaro ekutanga
inguva inotangangira panoitwa nhumbu kusvikira mwana akuenda kuchikoro.
Chikuni, B (2003). The teachers Handbook Approch to Teaching: Flame Publications, Canada

Flanagan,P (1995) Understanding Children’s Language and Literacy, Nelson Thorne’s. New
York

Magwa. W (2017) Tsika Dvevatema MuZimbabwe. Mambo press. Gweru

Samkange S and Samkange ,TM (1980) Hunhuism or Ubuntuism, Salisbury.Graham publishing

Unicef (2005) Early childhood Development Kit. Guideline for caregivers. UNICEF. New York.
Retrieved from http//www.unicef.org

Young B (2002) from Early childhood Development to Human development. World Bank.
Washingty.

You might also like