Grade 6 ChiShona Paper 1 Prince JNR

You might also like

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 5

Grade 6 ChiShona Paper 1

Bvunzo

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo inotevera

Nzimbo Yekushanyira

Mapopopo iwawo ari murwizi rweZambezi pamuganho wenyika yedu kumusoro.


Akakurumbira zvikuru nokuti makuru kupfuura mapopopo ose panyika dzose.
Saka vanhu vedzimwe nyika dzose vanouya kuzoona chishamiso chiri pano.
Rwizi rweZambezi rukuru pane dzose dzapanyika ino. Runoganhura nyika
yeZimbabwe neyeZambia. Kufara kworwizi kumusoro kunodarika maira imwe.
Machiti akadzika-dzika. Mvura inomira mumukana makaita tsoka dzina mazana
matatu namakumi mashanu kudzika. Inondorovera pasi pasi nesimba guru
ichitinhira zvinotyisa. Mvura inondoputsikira pasi ichiita gore remhute rinenge
utsi. Saka vanhu vachipatumidza zita rokuti ‘Utsi Hwunotinhira’.
Pamhenderekedzo, guti rinopfunha-pfunha nguva dzose. Vanofambapo
vanofanira kufuka nguvo inotanira mvura.

Pindura mibvunzo kubva 1 kusvika 5 kubva panyaya iyi.

1. Mapopopo awa ari murwizi rwupi?


A. Zambezi B. Limpopo C. Zambia D. Zimbabwe

2. Chikonzero chikuru chinoita kuti vanhu vazhinji vauye kuzoona ndechekuti___


A. nzvimbo iyi inonakidza kuona B. ndiyo nzvimbo huru munyika dzose
C. vanhu vazhinji vanoda kuredza D. panogara pachiuya hutsi

3. Mvura inondoputsikira pasi ichiita gore remhute rinenge___


A. moto B. utsi C. guruva D. musheshe

4. Vanhu vanofamba pamhenderekedzo dzemapopopo vanofanira kupfeka


nhumbi dze___
A. mvura B. zuva C. mhepo D. dzakasimba

5. Nzvimbo iyi inotumidzwa kuti___


A. mapopopo B. Zambezi C. mhute D. Utsi Hwunotinhira

Sarudza izwi rakafanana nerokutanga

6. Nyanza A. gungwa B. nyenze C. Rwizi D. mvura

7. Dzoro A. zuva B. jana C. jaru D. musoro


Madimikira

8. Kumira negumbo rimwe ku___


A. mirira usina hanya B. mirira uchida kukasikirwa
C. mirira-mirira D. mira wakamisa gumbo rimwe

9. Kuoma mate mukanwa ku___


A. shaya mvura B. shaya chokutaura
C. shaya chokubata C. shaya chokunwa

10. Kubika mapota ku ___


A. kugara nomurume kunze kwomuchato B. kurova poto
C. kusuka poto D. kubika zvinonaka

Ndeapi mashoko anoshandiswa kana ___

11. Ukawana vanhu vachiita basa iwe uchipfuura.


A. Hevoi ! B. Vashumi C. Shandai ! D. Pamusoroi

12. Murume asvika pana vamwe varume vanovhiya mhuka.


A. Naro basa B. Ndipeiwo nyama C. Makadii D. Chishava panyama

13. Nenguva dze ___,kunenge kwaedza zvako asi zuva risati rabuda.
A. mashambanzou B. rudziyakamwe C. marereka zuva
D. rubvunzavaeni

14. Baba vanosheedza mwana wemwana wavo vachiti __


A. tsano B. muzukuru C. munin'ina D. sahwira

Tsumo

15. Nhambetambe inoregwa icha__


A. chekwa B. fara C. naka D. tanga

16. Chidamwoyo hamba yakada____


A. mumvura B. makwati C. kunonoka D. kufamba

17. Munhu wausingadi unomutarisa neziso ____


A. rakasara munzara B. rakatsvuka C. rinobvuma vaeni D. rinofara

Nyaudzosingwi

18. Vafambi vakange vakati ____ kurara.


A. hatu B. tuzu C. shatu D. rapata

19. Mudzidzisi akangoti nazvo____ kushaya zano.


A. nde-e B. hwa-a C. ware D. tuzu

20. Kana munhu ava munhamo anogona kuti___


A. ndine ropa rakaipa B. midzimu yadambura mbereko
C. midzimu yandirangarira D. chitsva chiri murutsoka

Verenga hurukuro inotevera ugopindura mibvunzo

Rudo naTariro vasikana vane makore gumi nematanhatu vari kufamba


vachikakavadzana masikati omusi woMuvhuro. Vanomira pachiteshi.

Rudo: Unoona Tari, pfungwa yako yokuramba chikoro yandirwadza.


Uchachema mune ramangwana.
Tariro: Iwe shamwari, hapana zvandinoendera kuchikoro. Isu mari
tinayo, ndinofireyi?
Rudo: (Anoseka) Shamwari rega ndikurume nzeve. Mari muenzi. Inouya,
ichienda. Dzidzo haidaro, ipfuma isingaperi. Haigarwe nhaka.
Unofamba nayo, unorar nayo, unofa nayo haibiwe. Pamusoro pazvo
inokupa rusununguko rwepfungwa.
Tariro: Ufunge hako Rudo, unozviziva here kuti baba vakandivhurira bhuku
rekubhangi? (Anoratidza Rudo bhuku rokubhangi) Tarira uone.
Unofunga kuti mari yose iyi ungaiwane nedzidzo?
Rudo: Tariro vasikana izvozvo zvakanaka asi ------- (ipapo mukomana wa
Tariro anosvika nemota. Tariro anooneka Rudo ndiye ngori mumota
hutu. Rudo anoshaya neremuromo)
Rudo: Nhaka tichaona. (Anobva aenda zvake kuchikoro)

21 Vanhu vangani vari kuita gakava?


A. vaviri B. vatatu C. vashanu D. vatanhatu

22. Hurukuro iyi yakaitwa panzvimbo ipi?


A. kuchikoro B. mumotokari C. pachiteshi D. pamba

23. Semafungiro aRudo, ndoupi mutsauko uri pakati pemari nedzidzo?


A. Mari inogara kubhangi asi dzidzo haigariko
B. Mari inotenga asi dzidzo haikwanise
C. Dzidzo inowanikwa nyore pane mari.
D. Dzidzo inhaka isingapere asi mari inopera
24. “Nhaka tichaona”, Rudo aitaura nani mashoko awa?
A. naTariro B. ega C. nahama dzake D. nemukomana waTariro

25. Rudo musikana ane makore __


A. matanhatu B. masere C. gumi D. gumi nematanhatu

Sarudza mhinduro yakakodzera

26. Pandakamubvunza kuti ndiye akange atora bhuku rangu here, akati tana ___
A. Kushamisika B. Kuramba C. Kunyarara D. Kutsamwa

27. Mukadzi mukuru pabarika anonzi___


A. mukaranga B. nyachide C. vahosi D. murongo

28. Uchisvika pamusha pavanhu unoti___


A. Titambire B. Pamusoroi C. Tisvikewo D. Tozoonana

29. Kana pazvarwa mwana mucheche vanhu vanouya kuzomuona vanoti__


A. nedzoyi B. nemakorokoto C. zvaonekwa D. zvaitwa

Ipa hukama wakakodzera

30. Mwanasikana wehanzvadzi yaamai vako unomuti___


A. mwana B. muzukuru C. mainini D. mbuya

31. Mukomana anoti chiii kumurume wehanzvadzi yake?


A. tete B. mukuwasha C. muzukuru D. mwana

Sarudza izwi rakafanana nerakatarwa pasi

32. Murume uyu ane denda rinomunetsa.


A. ronda B. shavi C. chirwere D. nhamo

33. VaChiro mukwambo waVaGudza


A. mukarahwa B. mukuwasha
C. munyai. D. murume

Sarudza izwi rinopesana nerakatarwa pasi

34.Mombe dzedu dzinokamwa mangwanani


A. masikati B. manheru C. usiku D. mambakwedza

35. Vakarahwa
A. madzitateguru B. varoora C. madzimwene D. vakwasha
Isa mazwi anotevera muuzhinji

36. Dende A. matende B. tutende C. zvitende D. madende

37. Shiri A. zvishiri B. shiri C. mashiri D. dzishiri

Sarudza Tsumo inowirirana netsanangudzo inotevera

38. Chinhu chose chausina chinowanikwa nokuchifambira.


A. Chawawana batisisa midzimu haupi kaviri.
B. Chitsva chiri murutsoka
C. Akanga nyimo avangarara
D. kugarika tange nhamo

Sarudza zvakanyorwa zvakanaka

39.
A. Murume anonzi Tagutanazvo itsvimborume.
B. Murume anonzi Taguta nazvo iTsvimboru.
C. Murume anonzi tagutanazvo itsvimbo rume.
D.murume anonzi Taguta-nazvo itsvimbo-rume.

40.
A. Rina manyanga hari putirwi mumushunje.
B. Rinamanyanga hariputirwi mumushunje.
C. Rina manyang hariputirwi mumushunje.
D. Rinamanyanga hari putirwi mumushunje.

You might also like