Shona Cala 2

You might also like

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 3

Zita : Nyaungwa Lennon

Chidzidzo : Shona CALA 2

Danho : Fomu 4B2

Musoro : Tsvakurudzo yokunyora

Musoronyana : Kuchengetedza nharaunda zvakanaka mudhorobha

Musoro weCala : Tsanangudzo pamusoro pekuchengetedza nharaunda zvakanaka mudhorobha

Unyanzvi : Tsvakurudzo, kuverenga, kuongorora nharaunda dzavo

Hwaro : Mumadhorobha mazhinji vanhu havachachengetedze nharaunda dzavo izvi zvakukonzera


matambudziko akawanda aya ano sanganisira urwere, kushandura mamiriro ekunze uye kusataridzika
kwakanaka kwenzvimbo dzavo.

Chikamu A

1. Doma nharaunda yauchaongorora. (1)

2. Tsanangura mamiriro enharaunda yawadoma. (5)

Mifananidzo inogona kubatsira

3. Chii chinoita kuti nharaunda iyi isvibe

Chikamu B

1. Nemitsara isingadariki mishanu tsanangura kukosha kwenharaunda. (4)

2. Doma matanho gumi angatorwa kuti vanhu vachengetedze nharaunda yawadoma. (10)
Cala Guide

1. Tsvaka ruzivo kune ve EMA vanoona zvekuchengetedzwa kwenharaunda

- Tenderera munharaunda mako uchiona pamwe nokubvunza vagari vemunharaunda zviri


kukanganisa nharaunda ne zvingaitwa kuigadzirisa.

Ongorora zvimwe zvezvinotevera

• Panorasirwa marara

• Mvura inongobuda yoga yemuzvimbuzi neyasukiswa kana kugezeswa.

• Tsvina yemapepa nezvimwe zvinosanganisira mitambo yevasvava

Kuongororwo nharaunda dzakashambidzika zvinokubatsira pakupa pfungwa yezvingaitwe


pakuchenesa nharaunda yako

Chikamu A

1. Ndirikuongorora nzvimbo yeMbare

2. Nharaunda yeMbare inharaunda inoitwa zvinhu zvakasiyana siyana uye kwakazara mbavha nemarara.
Kunogadzirwa masimbi, kunogadzirwa mushonga uye ndiko kunokwirirwa mabhazi mazhinji anoenda
kumamisha.Vanhu pavanogadzira zvinhu zvavo nekutengesa vanorasa marara nezvimwe zvinhu zvisina
basa, ndipo panozozara marara pese pese. Kugarisana kwavo hakuna kumira mushe, vanogarisana
vakamanikidzana muimba imwe chete

3. Chinoita kuti nharaunda iyi isvibe ndechekuti vese vanotengesa zvinhu nevanotenga nevamwe
vanofamba ikoko vanongorasa marara pese pese zvichikonzera kusviba kwenharaunda. Zvimwe zvinoita
kuti nharaunda iyi isvibe vanhu vanogara munharaunda iyoyo vanenge vachiunganidza marara avo
panzvimbo imwe chete uye hapana kanzuru inozouya kuzozvibvisa. Vanhu vemunharaunda iyi havana
mabhini munzira dzavanofambira izvi zvichikonzera kurasa zvinhu pese pese.

4. Nharaunda yakakoshera pakuti ndipo panokwanisa kushandira vanhu vazhinji kuti vawane mari
somuenzaniso, munhu anokwanisa kurima kana chibage otanga kuchitengesa kuti awane mari. Miti kuti
dzikure dzinoda mvura inoenda panharaunda zvichizotibatsira pakufema kwevanhu. Nharaunda
inofanhirwa Kuchengetedzwa zvakanaka nevanhu vanogaramo. Nharaunda yakakosha pakuti ndimo
matinogara. Nharaunda ikagara yakachena zvinodzora zvirwere muvanhu uye zvinoita kuti munake.

5. Vanhu vanovanirwa kudzidziswa nezvehutsanana nehutano. Kukurudzira hurumende kutaura marara


achinopiswa kana kuendeswa kunoiswa marara. Kukurudzira hurumende kuti munhu wese anorasa
marara pese pese anofanirwa kubhadhariswa kana kusungwa izvi zvinoita kuti vanhu vasanyanyorase
marara pese pese. Hurumende inofanhirwa kuisa mitemo yekuti vanhu vasarase marara pese pese.
Panofanha kuita zuva rekuti vanhu vanofanha kumbobuda mudzimba dzavo vachinonhonga marara.
Kugadzira bato revanhu vanoongorora nezvekuchena kwenharaunda. Hurumende inofanhirwa kuisa
mabhini akawanda kuti vanhu vapote vachirasira marara mumabhini. Vanhu vanofanha kudzidziswa
nzira yekushandura marara kuti anozoshanda nedzimwe nzira. Vanhu vanofanha kukurudzirwa
Kuchengetedza zvinhu zvavo nenyaya yembavha. Kupa Mari kuvanhu vanenge vanhonga marara kuti
anoitwa (recycling). Kupa vanhu mabasa ekunonhonga marara.

You might also like