Professional Documents
Culture Documents
Shona Paper 2
Shona Paper 2
Shona Paper 2
Shuvai aiva musikana ane makore gumi nemaviri. Mai vake mai Nyakudada vaiva mukoti.
Baba vake vaiva mupurisa mukuru munharaunda aizivikanwa nekuita basa rake
zvemandorokwati. Shuvai aizvitutumadza zvikuru nekuda kwemabasa aiitwa navabereki
vake. Nekuda kwekuzvitutumadza uku Shuvai akatanga kubatira vamwe vana nenzira
dzakasiyana siyana achivimba nekuti baba vake vaiva mupurisa. Kazhinji aidyira vamwe
vana chikafu chavange vauya nacho kuchikoro. Vana vaye vaizoswera miromo yakaoma kuti
gwaa kuoma nenzara. Izvi hazvina kubata vabereki vevana ava zvakanaka.
1
A. Zvii B. mbu-u C. ndo-o D. bha-a
6. Kuti tana ______.
A kubvuma B. kutaura C. kuramba D. kuenda
7. Kurara nezamu mumukanwa ku ________.
A kungwara B. kuguta C. kunwa mukaka D. kupusa
DUDZIRA MADIMIKIRA AYA.
8. Kubereka tsoka ______.
A kutiza B. kufambisa C. kuremerwa D .kushaya shangu.
9. Kutungana kwembudzi _______.
A kuseka B kutanga C. kutambura D kutamba.
SARUDZA IZWI RINOPIKISANA NERAKATARWA
10. Mambo tagara kwenguva refu.
A muranda B munyayi C. mupurisa D. machinda
11. Mbuya vatinogara navo vane moyo wakanaka.
A pfini B. unhu C. tsiye nyoro D.unyope
ISA MAZWI MUUZHINJI
12. Ganda _______. A makanda B. zviganda C. makanda D. maganda
13. Chituro _______. A katuro B. mature C. maturo D zvituro.
Verenga ndima ugopindura mibvunzo inotevera.
Tuku murume mutate ari murefu. Kana otamba anotepukira. Ane chiso chinaku
neganda dema rakanaka. Anofarira kuimba nziyo dzezverudo. Amai vake vonoti Tuku
akatanga kuimba ari mucheche. Baba vake Samson vaivewo muimbi uye hanzvadzi
yake Bybit aiimbawo.
14. Tuku murume ____. A mukobvu B. mutete C. mutema-tema D. mupfupi.
15. Tuku anoita basa rei ___A kuveza B. kuvaka C. kutepuka D. kuimba
16. Anofarira kuimba nziyo __A dzerudo B. dzenhamo C. dzehondo D. dzese.
17. Baba vaTuku vainzi __A Bybit B. Samson C. Samanyanga D. Rudo
18. Tuku akatanga kuimba achiri ____ A murume B. mutema C. mucheche D kuhondo
19. Hanzvadzi yaTuku yainzi ani? A Bybit B Samson C. Tuku C. Amai
ZADZISA TSUMO DZNOTEVERA
20. Sango rinopa ____. A atsamwa B.apindamo C. anoda D. aneta
21. Ateya mariva murutsva _____.A haachatyi kusviba magaro B ashaya nyama
C. anogona D. anoda mbeva.
SARUDZA MHINDURO INOKODZERA
2
22. Sadza rakasara rinonzi ___A bota B. nyama C. mbodza D. munya
23. Hanzvadzi yababa vako ndi__ A tete B. ambuya C. sahwira D. amai
24. Mudenga memba inoveserwa moto munoita ____. A mangai B. chin’ai
C. marara D. mauswa
25. Kana tichisvika pafiwa tinobata maoko ltichiti ____. A ndiani afa B. tisvikewo
pano C. makadiii D. nematambudziko.
26. VaPfigirai vakasvika paivhiiwa nyama vakati ___. A chishava pavarume
B. ndakubatai C. mbavha D. ndoidawo nyama.
Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo.
Chaiva chishamiso apo zuva rakaoora vanhu vari mumunda. Vakange
vachangosimuka kubva mumumvuri ushure mekunwa maheu. Vazhinji havana
kumhanyira kumba sezvo vaiziva kuti yaive hore yatibikira zuva. “Veduwe-e nyika
yaguma ! Zuva raora.” vaChanyuka vakadaro vachigara pasi. Vose zvakavakanga
mate mumukanwa vakashaya kuti Musiki akanga avatukirei kudero, kuvayraya
vachiri vapenyu.
27. Zuva rakaora vanhu vari kupi? A kumunda B. kurwizi C. kubasa D. kumabiko
28. Kuti zuva raora kureva kuti___. A rave kunhuwa B. ranyura C. rasangana
nemwedzi D. radoka
29. Rimwe izwi rinoreva zvakafanana nokuti “kutibikira” ndi ____. A imba B. vhara
C. rima D. oneka
30. Musiki ndi _____. A Adam B. Satan C. VaChanyuka D. Mwari
31. Kuurayiwa uchiri mupenyu zvinoreva ku _____. A fara B. bhinywa C.
tambudzwa D. garika.
3
39. Munhu akati pamusoroi anenge achida kudya kana ku ____. A onekwa B.
kupfuura C. tambirwa D. tamba.
Sarudza mutsara wakanyorwa zvakanaka.
40. A. “Bata bata bata Machena akadero Tomasi”
B. Bata bata bata Tomasi, akadero Machena
C. “Bata, bata, bata Machena!” ,akadero Tomasi.
D. “Bata, bata bata Machena” akadero Tomasi.