Shona Paper 2

You might also like

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 4

HYPOTENOS COLLEGE

GRADE 4 CHISHONA BVUNZO YEKUPERA KWEGORE

Time 1hr 30 mins

Shuvai aiva musikana ane makore gumi nemaviri. Mai vake mai Nyakudada vaiva mukoti.
Baba vake vaiva mupurisa mukuru munharaunda aizivikanwa nekuita basa rake
zvemandorokwati. Shuvai aizvitutumadza zvikuru nekuda kwemabasa aiitwa navabereki
vake. Nekuda kwekuzvitutumadza uku Shuvai akatanga kubatira vamwe vana nenzira
dzakasiyana siyana achivimba nekuti baba vake vaiva mupurisa. Kazhinji aidyira vamwe
vana chikafu chavange vauya nacho kuchikoro. Vana vaye vaizoswera miromo yakaoma kuti
gwaa kuoma nenzara. Izvi hazvina kubata vabereki vevana ava zvakanaka.

Vabereki vakakokorodzana vaka tande vakananga kuchikoro. Pavakai vhuu kusvika


pachikoro Shuvai akaziva kuti pake pamuperera. Akati nyamu ndokuti svetu akananga
kumukova. Yakaita batai batai vadzidzi vachizama kuti Shuvai asatiza. Shuvai haana kuziva
kuti baba vake vainge vaudzwa zvose izvi kare. Pakakati abude pamukova akamwa
nemucheka zvembama yakarira kuti kwaa. Shuvai pakarepo apfugama akaumbira ruregerero.
Baba vake vakamuvimbisa kuti vaizomurova senyoka yapinda mumba akapamha zvinhu
zvakaipa sszvizvi.

Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo yose.

1. Shuvai aiva nemakore mangani?


A. Gumi B. maviri C. gumi nemaviri D. makumi maviri
2. Mai vaShuvai vaiita basa rei?
A. Mukoti B. Mupurisa C. Mufundisi D. Mudzidzisi
3. Nyaudzosingwi unotsanangura kusvika kwakaita vabereki pachikoro ndii____
A. pfacha B. vhuu C. pindi D. zii
4. Vabereki vevamwe vana vaiva vakatsamwei?
A. Kuti vana vavo vaidyira chikafu chavo B. Kuti vana vavo vaisadzidza C
kuti baba vaShuvai vaiva mupurisa D. Kutishuvai aizvitutumadza.

Zadzisa nezwi krakakodzera

5. Hembe inopfekwa pachikoro pedu yakachena kuti __________.

1
A. Zvii B. mbu-u C. ndo-o D. bha-a
6. Kuti tana ______.
A kubvuma B. kutaura C. kuramba D. kuenda
7. Kurara nezamu mumukanwa ku ________.
A kungwara B. kuguta C. kunwa mukaka D. kupusa
DUDZIRA MADIMIKIRA AYA.
8. Kubereka tsoka ______.
A kutiza B. kufambisa C. kuremerwa D .kushaya shangu.
9. Kutungana kwembudzi _______.
A kuseka B kutanga C. kutambura D kutamba.
SARUDZA IZWI RINOPIKISANA NERAKATARWA
10. Mambo tagara kwenguva refu.
A muranda B munyayi C. mupurisa D. machinda
11. Mbuya vatinogara navo vane moyo wakanaka.
A pfini B. unhu C. tsiye nyoro D.unyope
ISA MAZWI MUUZHINJI
12. Ganda _______. A makanda B. zviganda C. makanda D. maganda
13. Chituro _______. A katuro B. mature C. maturo D zvituro.
Verenga ndima ugopindura mibvunzo inotevera.
Tuku murume mutate ari murefu. Kana otamba anotepukira. Ane chiso chinaku
neganda dema rakanaka. Anofarira kuimba nziyo dzezverudo. Amai vake vonoti Tuku
akatanga kuimba ari mucheche. Baba vake Samson vaivewo muimbi uye hanzvadzi
yake Bybit aiimbawo.
14. Tuku murume ____. A mukobvu B. mutete C. mutema-tema D. mupfupi.
15. Tuku anoita basa rei ___A kuveza B. kuvaka C. kutepuka D. kuimba
16. Anofarira kuimba nziyo __A dzerudo B. dzenhamo C. dzehondo D. dzese.
17. Baba vaTuku vainzi __A Bybit B. Samson C. Samanyanga D. Rudo
18. Tuku akatanga kuimba achiri ____ A murume B. mutema C. mucheche D kuhondo
19. Hanzvadzi yaTuku yainzi ani? A Bybit B Samson C. Tuku C. Amai
ZADZISA TSUMO DZNOTEVERA
20. Sango rinopa ____. A atsamwa B.apindamo C. anoda D. aneta
21. Ateya mariva murutsva _____.A haachatyi kusviba magaro B ashaya nyama
C. anogona D. anoda mbeva.
SARUDZA MHINDURO INOKODZERA

2
22. Sadza rakasara rinonzi ___A bota B. nyama C. mbodza D. munya
23. Hanzvadzi yababa vako ndi__ A tete B. ambuya C. sahwira D. amai
24. Mudenga memba inoveserwa moto munoita ____. A mangai B. chin’ai
C. marara D. mauswa
25. Kana tichisvika pafiwa tinobata maoko ltichiti ____. A ndiani afa B. tisvikewo
pano C. makadiii D. nematambudziko.
26. VaPfigirai vakasvika paivhiiwa nyama vakati ___. A chishava pavarume
B. ndakubatai C. mbavha D. ndoidawo nyama.
Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo.
Chaiva chishamiso apo zuva rakaoora vanhu vari mumunda. Vakange
vachangosimuka kubva mumumvuri ushure mekunwa maheu. Vazhinji havana
kumhanyira kumba sezvo vaiziva kuti yaive hore yatibikira zuva. “Veduwe-e nyika
yaguma ! Zuva raora.” vaChanyuka vakadaro vachigara pasi. Vose zvakavakanga
mate mumukanwa vakashaya kuti Musiki akanga avatukirei kudero, kuvayraya
vachiri vapenyu.
27. Zuva rakaora vanhu vari kupi? A kumunda B. kurwizi C. kubasa D. kumabiko
28. Kuti zuva raora kureva kuti___. A rave kunhuwa B. ranyura C. rasangana
nemwedzi D. radoka
29. Rimwe izwi rinoreva zvakafanana nokuti “kutibikira” ndi ____. A imba B. vhara
C. rima D. oneka
30. Musiki ndi _____. A Adam B. Satan C. VaChanyuka D. Mwari
31. Kuurayiwa uchiri mupenyu zvinoreva ku _____. A fara B. bhinywa C.
tambudzwa D. garika.

SARUDZA IZWI RAKAFANANA NERAKAPIHWA

32. Bonde _______. Arukukwe B. nhokwe C. tsanga D. tsapi


33. Unyope _____. A rombe B. benzi C. dzenga D. usimbe
34. Chapa ______. A pfende B. pfambi C. tsotsi D. gororo
MWANA WEIZVI ANONZII?
35. Ndaona membwe yakamira ne ___ yayo. A nhowa B.tsvana C. mangoi D. handa
36. Mwana weinda anonzi _____. A rakadzi B. gonye C. svosve D. inda
ZADZISA SEMATAURIRO EDU.
37. Hwahwa ___ hwavira. A uyu B. uhwu C. aka D. utwo
38. Kamwana ___ kanomhanya chose. A ichi B.kose C. utwu D. aka

3
39. Munhu akati pamusoroi anenge achida kudya kana ku ____. A onekwa B.
kupfuura C. tambirwa D. tamba.
Sarudza mutsara wakanyorwa zvakanaka.
40. A. “Bata bata bata Machena akadero Tomasi”
B. Bata bata bata Tomasi, akadero Machena
C. “Bata, bata, bata Machena!” ,akadero Tomasi.
D. “Bata, bata bata Machena” akadero Tomasi.

You might also like