Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 543

TSVINGUDZI INGOZI

Munyori : Abraham Makamera


Phone Number: 0776248943
Facebook page :Nganonyorwa NaA
Makamera
WhatsApp Group: Nganonyorwa
NaAbraham Makamera
Website:https://mabhukunaabrahamm
akamera.blogspot.com

MUNYORI
Abraham Makamera akaberekwa musi
wa14 Zvita 1991 paSilveira Mission
Hospistal kuBikita, Masvingo.

1
Makamera akaita zvidzidzo zvake
paMusukutwa Primary School kubva
mugore ra1998 kusvika muna 2004.
Akazoita zvidzidzo zvekondari
paKudadisa kubva mugore ra2005
kusvika mugore ra2008. Abraham
Makamera akanyora bhuku rake
rekutanga rinonzi Panomera Muswe
Panonyeredza iri rakadhindwa
mugore ra2017. Mugore ra2018
akadhindisazve bhuku rake repiri
rinonzi Itai iro rakasarudzwa kuva
pakati pemabhuku akanyorwa zvine
unyanzvi mugore ra2019 paNAMA
Oustanding Fiction Book. Kunze
kwekunyora mabhuku enganonyorwa
Abraham Makamera ndinyandurizve
2
anofarira kunyora nomutauro
wechishona. Makamera akanyorawo
nhetembo dzakabuda mubhuku
remuunganidzwa wenhetembo rinonzi
Mukoko weNduri. Dzimwe
dzenhetembo dzake dzichabudazve
mune mumwe muunganidzwa
wenhetembo unonzi Nduri Upenyu
uyo uchabudiswa mugore rino ra2020.
Pamusoro penhetembo idzi Makamera
ane bhuku renganonyorwa rinonzi
Mboni richabuda mugore rino ra2020.
TSVINGUDZI INGOZI
Tsvingudzi Ingozi ibhuku rine nyaya
yechinyakare inobata tsika nemagariro
ekare. Munyori anoedza kubudisa
3
huipi hwegumbo mumba gumbo panze
uhwo hwonokonzerwa neruchiva
zvinozoita kuti vanhu vazhinji vasare
vave mutsekwende inovatambisa
chamutava, Murungano runo
Porunobva anotiza nomukaranga
waMandidenha achienda naye
kumusha kwake. Bundu rokutorerwa
mukadzi rinoti ndii pahuro
paMandidenha nevemhuri yake
ndokuronga kurwira Tsvingudzi
nenzira yekushandisa
pfumbatwa(Gona). Pfumbatwa inoita
chisionekwi mumhuri maPorunobva
zvokuti hama dzaPorunobva dzakange
dzopera nendufu dzaisazihwa mudzi
wadzo. Rungano runo runotambarara
4
rwakazara nedzidziso zvokuti
kutaurirwa hunyimwa dzikave mbare
dzekugotsi. Verengai Rungano runo
munzwe kutapira kwomutauro wedu
wechishona kunokunda uchi
hwedende.

CHITSAUKO 1
Musha waVaMarufu wakange wave
nerunyararo serwuya rwunowanikwa
kumakuva. Munhu wose wemhuri iyi
ainge ongotyira upenyu hwake
pasisina achatarisa kune mumwe.
Hakuna aiziva kuti ndiani ainge ave
nejana rokuchemwa mumhuri iyi.
Rufu rwainge rwauya ndokutambarara
5
sorunyemba mumusha waVaMarufu
zvokuti ruzhinji rwemhuri iyi rwainge
rwongofa zvisina tsarukano. Mwedzi
mitanhatu yainge isingachapfuuri
pasina wemhuri iyi achererwa pasi.
Honzero yazvo zvose izvi hapana
ainyatsoziva. Kana vari saVaMarufu
hope vainge vodziwana nenguva iri
kure kwazvo. Murume mukuru ainge
opedza nguva zhinji achitavatika
mupfungwa dzake kuri kutsvaka
chaikonzera ndufu zhinji kwazvo
mumhuri yake. Hongu rufu runonzi
nderwaNyadenga, asi zvemhuri iya
zvaikunda ngoma kurira.

6
"Dzingori nharo chete dzaunadzo iwe
Porunobva, asi mavambo azvo zvose
zvatava kuona nhasi pamusha pano
unomaziva iwe. Unoona nezviri
kuitika pamusha pano izvi, hazvichadi
kuti tirambe takangotarisana
tisingabudire vamwe vese pachena kuti
vazive pari kubva ndufu idzi. Handioni
zvekusweronenerana nhongwa
zvichine mano ini. Iwe ndiwe honzeri
yazvose zvatava kuona pamusha pano
izvi." VaMarufu vakadaro vachitaura
nemwanakomana wavo mudoko.
Pose paitaura baba vake, Porunobva
ainge akangoti tsikitsiki somunhu
asara nadzo kumashopeshope.

7
Mashoko ababa vake akamaona
semashoko aisava neuchenjeri, asi aiva
nekuchidziro yokuti apandukirwe
nevanhu vedzinza rake. Porunobva
akati, "Saka munoreva here kuti ini
ndini ndiri kuroya vamwe mumusha
muno baba? Kana zvirizvo zvamuri
kufamba muchiudza vanhu mudunhu
rino kubva ini ndichafa zvangu tione
kana zvokufa kuri kuitwa mumusha
muno zvichazopera."
"Iwe! Ndinokukododzvora netsvimbo
iyi. Kutaura rudzii kwauri kuita ikoku?
Unoiita mhaka diki here yokutiza
nomukadzi wemunhu yawakaita iyi?
Izvozvi hazvizikanwi kuti

8
vawakatorera mukadzi vari
kutifungirei. Dai uri mumwe watoti
dzikadzika wateerera zvandiri
kukuudza pano. Mhaka yawakapara iyi
inopedzwa nemuripo uchatemwa
nevawakatorera mudzimai Porunobva?
Mhaka yekutora tsvingudzi ingozi
pachayo mwanangu." VaMarufu
vakadaro vachitaura nezwi raiva
rakazara chinya nokushatirwa
kukurusa, asi somunhu mukuru
vaiedza kuzvidzora kuitira kuti mwana
wavo asaona zvaiva pameso avo.
Panguva idzi VaMarufu vainge
vakagara pachivara chavo nomugotwe
wavo Porunobva. VaMatinetsa,

9
mudzimai waVaMarufu vainge
vakagara kuchoto vachiitira vazukuru
vavo ngano. Nzeve nzavo dzaipota
dzichitapa zvose zvaitaurwa kuchivara
vachizvipfigira muhana mavo. Kudare
nyaya yakaramba ingori imweyo.
Porunobva achitiwo gotsi papata kuri
kupokana nazvose zvaitaurwa nababa
vake.
"Zvino imi muri kuti ini ndini
ndakakonzeresa kuti mukoma
Ranganai vazvisungirire here nhai
baba? Ko iye Mationesa? Ndinizve
ndakati mukunda zvikandire mudziva
rine ngwena? Ko iro dangwe renyu
Virukai? Ndini ndakamuuraya here

10
ini? Handiti akazvikanda ega
kumawere egomo reChirwirangwe
uko? Zvino ini kuroora kwangu
kwapinda papi apa nhai baba?"
Porunobva akabvunza mibvunzo yose
iyi baba vake vakanyatsoteya nzeve
kumashoko emwanakomana wavo.
"Zvaunenge wataura firo
yemadzikoma nomukunda wako
chetezve nhai Porunobva? Ko,
mapatya ako akatsakatikira
muChirwirangwe waasiirei? Ko, iyo
hosi yako iripi zvausina kudoma
nezvayo pano? Iwe wakatarisa zviitiko
zvese izvi unoona sekuti pane
chitsvene ipapa mwanangu?"

11
VaMarufu vakambomira vachiti
zvimwe Porunobva achavapindura, asi
Porunobva akaramba ari tsiki tsiki
achibayabaya pasi nekamuti
zvenhando. VaMarufu vakaenderera
mberi, "Kuchingochena chete ndinoda
kuti muungane nemadzikoma ako ipo
pachivara chino kuti tidzeye nyaya iyi
tiri pamwechete. Kana zvichibvira kuti
tisimuke tichienda kundorova gata
tobva tatozvironga nemafambiro
atichazoita." Vapedza kutaura
VaMarufu vakati simu, mudonzvo
wavo biku ndiye sununu sununu
vonanga kuimba yavo yokurara.

12
"Zvedare ramangwana ndezvavo izvo.
Ini mangwana ndiri kumukira
kundomema misungo yangu
muChirwirangwe umo." Porunobva
akasara chitaura ari ega padare paye.
Akazoti simu ndokuonekana namai
vake oenda kumba kwake. Segotwe
raVaMarufu, Porunobva ainge
akavakira musasa wake pedo nomusha
wavabereki vake. Madzikoma ake
matanhatu ndivo vainge vakavakira
misasa yavo iri chinhambwe kubva
pamusha wababa vavo. VaMarufu
naVaMatinetsa vaiva nevana gumi
nomumwe. Mumwe mukadzi
waVaMarufu wekuzoenda ndiye ainge
akangoita mwana mumwe chete
13
achibva adzokera kumusha kwavo
achiti ainge asingachadi
zvokuparikwa. VaMarufu
vakangosiyanawo nazvo havana
kuzombotevera kumusha kwainge
kwakaendwa nomurongo wavo uya.
Munzira Porunobva aifamba
achizvibvunza achiti, "Asiwo naivo
baba havasi kuona kuti aya mabasa
amainini vari kurwa daka here apa?
Ko, kana mashoko avataura ari
echokwadi, sei vemhuri yavari kuti
ndakatorera mukadzi vasina kuuya
kuzorwira tsvingudzi yavo? Iye
wandakatorera mukadzi ndianiko?
Handiti Dudzai ndiye akatoti murume

14
wake ave kungopedza nguva zhizhi
achitsvaga mhangura yokupfura
mapfumo evarwi vaMambo, achitadza
kurimira mhuri? Zvino kuva
nomurume kwacho kungagova papi
kana mukadzi nevana vachiseva
nederere zuva nezuva? Vanhu
havafariri nyachide wangu ndiri
kuzviona zvangu." Porunobva
akazonyaradzwa nembwa dzake ina,
Mandivenga, Zvichapera, Ndamuda
naNdewangu idzo dzainge
dzamunyanyira dzichitsvikidza kuri
kufarira vatenzi vainge vadzoka.
Semunhu ainge amboita barika
revakadzi vatatu, Porunobva ainge

15
akavakira vakadzi vake mumwe
nemumwe katumba kake kokuti vagare
pasina anonetsana nomumwe. Zvino
nokuzofa kwainge kwakaita hosi yake,
Porunobva ainge angosara nevakadzi
vaviri chete. Musi uyu akandosiya
hope kudumba raSemeni, murongo
wake, sezvo nezuro wacho ainge
adzisiya kumukadzi wake mudiki,
Dudzai. Murume mukuru
akasvikongoti kubu nokushatiriswa
kwaainge aitwa nemashoko ababa
vake. Semeni zvakatomunetsawo kuti
chii chainge chawira murume wake.
Akaedza kutaudza murume wake asi
mhinduro dzaakawana dzakamutyisa

16
naiye zvokuti akabva angoti kwaka
ovata zvake.
Porunobva akavata usiku hwose
achingopfiza-pfiza makumbo
neshungu. Nyaya yokupumhwa uroyi
nababa vake yakange yamurwadza
sekusungirirwa nyimo dzinopisa
kumusana. Murume mukuru akakaruka
ati, "Ndinofanira kukurumidza
kudzoka kubva mugomo mangwana
ndizonzwa kuti vachanditi chii padare
ravari kuronga iroro? Ini chaiye
kundiita muroyi? Baba vane chokwadi
here nemashoko avo?" Semeni
akanzwa mashoko aya ndokubva aziva
kuti murume wake akange atsamwiswa

17
kuchivara chaVaMarufu uko kwaainge
amboenda.
Kunze kwakasvikoedza Porunobva
asina kumbodziti tswati. Akabuda
mudumba raSemeni ndokutora uta
hwake. Akambotora kanguva
achitsvaga demo rake raainge
asingachazivi kwaakaritsveta.
Akazorangarira kuti ainge akarisiya
mudumba raDudzai zuva rakange
rapfura racho. Porunobva akati nhanho
kanhu kanhu onanga kudumba
remukadzi wake mudiki.
Akasvikovhura sasa ndiye mudumba
potyorotyo. Zvaakasanganidzana
nazvo ava mumba zvakamurovesa

18
nehana. Mutumbi waDudzai wainge
uchiti rezu rezu uri pachiruvi
chedumba rake. Gavi remutondo
rainge rakati shwee muhuro yaDudzai
ndokundosungirirwazve panhungo
yedumba iri. Nhehwe dzainge
dzakapfekwa naDudzai dzainge
dzachiti nyakata nokunyorova. Upenyu
hwainge hwatama pamukadzi uyu.
Ndiyeka Dudzai akasakisa kuti
Porunobva apare mhosva yokuroora
tsvingudzi. Iyeyu ndiye ainzi
naPorunobva 'vanhu havafariri kuroora
kwangu.' Ndiyeka Dudzai ainzi
naVaMarufu ndiye mudzi wendufu
dzose dzainge dzawira mhuri yavo.

19
Porunobva akati wedere wedere
achidududza ndokuti pu ava panze
pedumba. Haana kugarisa ari muvhu.
Akati kwarakwashu, ndiye chitsoka
ndibereke onanga kumusasa wababa
vake, VaMarufu.
CHITSAUKO 2
Nyaya yefiro yaDudzai yakasiya
VaMarufu nemhuri yavo vasisazivi
kana nepekubata. Kana vari
saVaMarufu vainyatsoziva kuti awa
ndiwo akange ave mavambo engozi
hurusa mumusha mavo. Chainetsa
pakufa kwomukadzi uyu ndechekuti
hakuna mumwe wemhuri yaVaMarufu
aiziva kumusha kwake. Kumusha
20
kwaDudzai kwaizikanwa chete
naMandidenha murume wake
wepamazuva asati azotiziswa
naPorunobva.
Mukati memheremhere yokuchema
mufi zvose nokutsvaga kuti vaizosvika
sei kumusha kwomushakabvu,
madzikoma aPorunobva vaiedza
kubvunzurudza munin'ina wavo kana
mushakabvu ainge asiya
amunyeurirwa nzira yokumusha
kwake. Pamhinduro dzake Porunobva
akati, Porunobva akati, "Zvokumusha
kwake aingoti anobva mhiri kwaSave
uko, kuvaera Nyati. Iye aiti akauya
munyika yavaera gumbo, nyika
21
yaChinomukutu iyi mushure mekunge
vapambwa vari vasikana vakawanda
kwazvo nevarwi vaiye Chinomukutu
uyu. Aitizve akatombogara pamusha
paChinomukutu kwemazuva akati kuti
ndokuzobviswapo nokuroorwa
kwaainge aitwa. Akange azoroorwa
naMandidenha mupfuri wemapfumo
avarwi vaChinomukutu. Iniwo
kuzosvika mukuzivana naye, takange
tasangana murwizi Devure umo
mandainge ndaenda kundoraura.
Takazoita zvimazuva tichionana
mumhenderekedzo dzerwizi Devure,
asi painge pasati pava nerine muto
pakati pedu tiri vaviri. Mumazuva
iwayo ndiwo mazuva aakandiudza
22
zvokusachengetwa kwake
naMandidenha uyo waaiti ndiye
murume wake. Zvakazoitika rimwe
zuva ndezvokuti takandosangana
pachitambiro chedu chemazuva ose.
Iyewo Dudzai haana kunge aziva kuti
zvaainge auya kuzondiona kudai,
Mandidenha akange asara
achimuronda shure kwake. Takati
takagara zvedu pachitambiro ndipo
patakanzwa kuti chokoto
nechekumashure kwedu. Ndakati cheu
wanei kune rino zirume rainge
rakapaikira museve pauta richitsvaga
paisavhiringa museve waro.
Ndakangoti tsvedzu, iye Dudzai
achiteverawo ari shure kwangu, ndisu
23
verevere touyambuya rwizi tichitizira
kuno."
Murenga, dangwe raVaMarufu akabata
munin'ina wake muromo ozhambatata
achiti, "Unoreva kuti ndiwo mawaniro
awakaita mukadzi uyu here
Porunobva? Ko, waireverei nhema
kare kose aka? Nhasi ndazoziva paibva
ndufu dzose dzakatiwira mumusha
muno? Iwe waisaziva here kuti tsvingu
hairoorwi? Baba vangu Makwiramiti
iwe! Zvino tinokusvikirwa nani
kuvaera Nyati ikoko? Ndiani
achatiratidza nzira? Ndiani? Davira
Porunobva, ndati ndiani anotisvikira
kumusha kwomukadzi uyu?" Murenga
24
akapedzisira nokubata musoro wake
namaoko ake ose ndiye dzungu
dzungu, zvikasha zvedehwe renhoro
zvaiva mumaoko ake
ndokudavirirawo.
"Nezuro chaiye ndaive naye pachivara
pano ndichimuti anofanira kutaura
chokwadi chemawaniro aakaita
mukadzi uyu. Ini ndakange
ndazonzwawo nemakuhwa kuti
Dudzai aiva tsvingu. Ndinofunga kuti
vokumusha kwevarume vake
vepakutanga ndivo vane pfumo
ririkutipedza mumusha muno. Iyi
ihondo yechikwambo
yatakagadzirirwa iyi vakomana."
25
VaMarufu vakataurawo mushure
mokunge Murenga anyarara.
Mukoma waVaMarufu, VaNdoringepi
vakabva vati, "Zvatinenge
takavambirwa hondo yaisingakwanisi
kurwisazve nhai Mbereka-iwe? Ndiani
watingati huya utirwirewo hondo iri
pano iyi, angazvibvuma? Icho
chinokupa kuita barika uri mucheche
kudai chiiko nhai Porunobva?
Pachinzvimbo chokuenda kundovhima
navamwe varume, iwe unenge
uchivaraidzana nevakadzi vane vene
vavo hausvodi here iwe? Dai
wakatumburwa nemuseve zvaiva nane

26
kani pane zvawakatitsvagira izvi. Uri
zungairwa remwana chete iwe?"
Munhu wese akazotaura padare iri
aingotukirira nokushoora kuita
kwaPorunobva. Iyewo Porunobva
ainge asina kana raaivhika naro kunze
kwokungoseredzera mashoko aitaurwa
aya nokungonanzvira muromo
seburwa rabuda mumvura.
Tichita setodzoka shure, nhoroondo
inoti mhuri yaVaMuchairipa, vanova
baba vaMandidenha haina kufara
nekutorerwa mukadzi kwayakange
yaiitwa. VaMuchairipa vakagara pasi
nevanakomana vavo pamwechete
navazukuru vavo voronga kuti voita
27
sei nenyasire yainge yavabvutira
mukadzi iyi. Pakuronga zvokuita
nenyasire iyi, vamwe vaiti vaifanira
kukwidza nyaya iyi kuna Mambo
Chinomukutu kuti vabatsirwe
nemazano uye kupihwa vamwe varwi
vaizondorwira tsvingu iyi.
VaMuchairipa somunhu aisafarira
zvehondo yemapfumo vaikwevawo
nedivi ravo vachitsigirana nomuzukuru
wavo mukuru, Zisorembwa.
"Imi vakomana ngatirongei zvinopera,
tarisai nhasi rava zuva repiri rakagarira
nyaya imwe chete iyoyi. Chero
ndikachiti chiteverai mukadzi wenyu
muchamuwana kupi nenguva
28
yatapedza tichizuwa nyaya iyi? Izvi
zvamuri kuramba muchisimbirira
zvokutevera mukadzi nemapfumo
zvine paviri vakomana. Ko,
mukandosvika mberiyo kune hwitikwi
dzevarwi zvokuti hamumisidzani
nadzo munoti mafambirei? Ini ndine
pfungwa yokuti Mutemarege
atigadzirire pfumbatwa yemutemarege
sezita rake. Iyi ihondo yepasipasi isina
mumwe anoziva ari kuirwa.
Munopaona sei vakomana?"
VaMuchairipa vakapedzisira
nokubvunza dare.
Zisorembwa akati koso koso ndokuti
gararwa pasi pwaa. Akasimudza
29
zitsoka rake rerudyi iro raiita kunge
mubhadha ndokutsikidira gararwa riya
muvhu. Akatizve dzihwa fe-e
ndokurikwizira pamhapa yedehwe
rembira yaainge akasimira musi uyu.
Akachiti, "Apa sekuru mataura
sokufunga kwangu chaiko. Izvi
zvehondo izvi zvinonetsera kuti pane
divi rinobudirira nedivi rinonyiswa.
Zvino isu tikandonyiswa
nevakatitorera mukadzi tinozodzoka
tichitarisana sei nevanhu vedunhu
rino? Ndinoona pfungwa yokuti
Mutemarege atirwire iri pfungwa
kwayo ini. Hameno vana sekuru
munozviona sei?" Zisorembwa
akapedzisira nokunakurira nyaya
30
kumadzisekuru ake, vanakomana
vaVaMuchairipa.
Madyira nevanji waVaMuchairipa
ndiye akakasika kupindura oti, "Ini
ndinoona zvokutsvaga pfumbatwa
zvichitoninetsa mangwana izvi. Ndiani
achachengeta gona rorufu richabva
kuna Mutemarege. Tose tinoziva kuita
kwaMutemarege. Nhasi achagadzirira
isu muti wokurwisa akatitorera
mukadzi. Kana uya watiri kurwisa
akaona zvamunyanyira
achamhanyirawo kuna Mutemarege
ondogadzirirwawo yake pfumbatwa
yakaguguchira kapinda yedu. Zvino
kana azopihwa chipfenha chine
31
gurugudwa kudarika pfumbatwa yedu,
handiti tinopera zvedu senhata
dzapfungaidzirwa zumbani...."
Zisorembwa akati kachi Madyira
achiri pakati pokutaura. "Zvino imi
sekuru muri kuti todini? Kana mati
tiende nepfumo rehondo ini ndinosara
zvangu. Zvokufa ndakasvinura sehove
ini handidi zvangu." Dare rose rakati
bvuu richiseka Zisorembwa.
Madzisekuru ake aiziva kuti muzukuru
wavo aiva gwara kana pari panyaya
dzekurwa.
Kuzoti zvokuseka zvapera dare
rakaenderera mberi. Mwene wenyaya
yainge yakaunganirwa iyi,
32
Mandidenha akati, "Ini zvokuti
muchashandisa gomboto
raMutemarege here kana kuti pfumo
raChinomukutu handina hanya nazvo.
Chandinongoda chete kuti mhuri
yewakanditorera mukadzi iparare
sezvinoita moto weuswa. Kana
zvichibvira naiyewo mukadzi wacho
ngaabve afira pamusha pemurume
iyeye tizoona kuti vachamucherera
guva sei?"

"Mazvinzwiraka vana sekuru? Mwene


wenyaya areva uyu. Zvepfumo
raChinomukutu ngatichisiya nokuti
hatisati taziva kuti anoda naro here
33
kana kwete? Ko, kana akati endai
mundorwa hondo yenyu mega,
tinopasimuka here pamusha pano?
Icho chimwango chemumwe
chakazomboita ndima kutanga riiniko?
Imi sekuru VaMuchairipa
chititungamirirai nzira
yokwaMutemarege tigadzirise nyaya
iyi pachiri pedo. Chero Mutemarege
akandoti anoda mombe, ndini
ndinobvisa nebakatwa pamusoro."
Akadaro Zisorembwa oda kuti dare
richigurwa zvino.
Zvikanzi naChinembiri, mwana
womukoma waVaMuchairipa,
"Varume nyaya iyi takaiswerera
34
nokuirarira. Nhasisve taiswerera,asi
ndinofunga kuti tiite zvarehwa nababa
izvi. Kana izvozvo zvazoramba
tochindokumbira pfumo ramambo kuti
ritibatsire pakundorwisa nyasire
yokutitorera mukadzi iyi. Chimwezve
chandaona chinonetsa iyezvino
ndechekuti kwakatizira mukaranga
wedu hapana anokuziva, asi
ndinodavira kuti pfumbatwa
dzaMutemarege dzichatiratidza chete."
"Hauchionizve ndiko kutaura
kwatainge takamirira tose pano uku.
Ichi ngachitova chinhu chokutanga
mangwana mangwanani chaiwo. Kana
zvichibvira tingatovata tichigura
35
rwendo rwokuenda kwaMutemarege."
Zisorembwa akadaro achigutsurira
musoro. Nyaya yaZisorembwa yaisava
pakuda kundorwisa munhu akatora
mukadzi wasekuru vake chete, asi kuti
aidawo kuti Dudzai adzoke mumusha
masekuru vake ozomugara nhaka
sokunemerana kwavasweroita zuva
nezuva. Zisorembwa ainge
atofungazve kuti pavaizoenda
kwaMutemarege aibva apihwazve
pfumbatwa yokupfuudza sekuru vake,
Mandidenha iye ozosara otora Dudzai
kana achinge azodzoka.
Rwendo rwokuenda kwaMutemarege
rwakafamba sokuronga
36
kwaVaMuchairipa. Vakazosvika mhiri
kwanyazvidzi zuva rati dziyei.
Mutemarege vakamuwana ari mumba
yake yebasa. Makumbi waMutemarege
ndiye akazovatobvisa pavainge vagara
ovapinza mumba maiva
naMutemarege. N'anga yakatangisa
basa rayo ichirovanidza hakata dzayo
dzaiti Chitokwadzima , Chirume
naNhokwara. Hakata idzodzi dzainge
dzakagadzirwa nemiti yemurara,
mukomberwa nemutohwe. Kana
dzisiri kushanda dzaigara dziri
mugando rainge rakagadzirwa
nematehwe ebere. Mutemarege akati,
"Chitokwadzima, Nhokwara, Chirume
domai tinzwe, ndimi munoona zviri
37
seri kwameso. Nhokwara pasi wa-a."
Akarovanisa hakata dziya
achidzikanda pasi. Zvose izvi
zvaingova mumeso emhuri
yaVaMuchairipa pasina kana
nomumwe aida kupotsa zvose zvaiitwa
nen'anga iyi.
Mutemarege akaenderera mberi,
"Hondo iyi ihuru varume. Pfumbatwa
yamunoda hamubvi nayo pano.
Ndichapa mumwe nemuwe wenyu
pfumbatwa yake yokureverera zvose
zvaanoda kuti zviitike pamuvengi
akusvitai pamusha uno. Kana mapedza
kutaurwa zvinetso zvenyu
munondokanda idzi mumoto uri panze
38
apo. Mazukuru wangu
achakutungamirirai mobuda muno."
Varume vose vari vatanhatu vainge
vapinda parwendo urwu
vakambotarisana vari mumbambo.
Vose vaitya kuiita zvainge zvataurwa
naMutemarege. Chero naZisorembwa
akavhundukawo nokuda kwamashoko
en'nga iyi.
Mutemarege akaita seasina kuona
kutya kwainge kwaputira varume
vaye. Akatora midzi namakwande
ainge akaita zvokutswiwa
ndokutambanudzira ruoko rwake
kumhuri yaVaMuchairipa.
VaMuchairipa vakagashira pfumbatwa
39
iya vachidedera ndokutungamirira
vavo vobuda panze. Vakasvika
pachoto chainge charehwa chiya chiri
chimwii-mwii. Mumwe nemumwe
aingotaura zvaaida kuti zviiteke
kumunhu ainge akatiza naDudzai.
Makandidenha ndiye akatora nguva
ndefu asati akanda pfumbatwa yake
muchoto. Aitaura mashoko okupedza
mhuri yokumutorera mukadzi wake.
Mukupendera kwake muchimwii-mwii
imomo akati, "Chero naiye Dudzai
ngaafire zvivi zvake
zvokundinyengedza achindiita fuza
romurume. Zvose nomurume
waakatiza naye ndiye anofanira
kupedzisira kutsamira churu
40
ambotanga anzwa kurwadza
kwehondo yaakadenha." Akati mvo
midzi yose iya muchoto. Zisorembwa
akange aitawo nhauro yake diki diki
achiti, "Kana wapedza nevakatirozvera
mukadzi, ibva wadzoka kuna iye
Mandidenha. Anofanira kufira
yokutadza kuchengeta mhuri, asi
achishandira mambo Chinomukutu
sezvinonzi ane ropa rimwe naye."
Apedza akakandawo pfumbatwa yake
muchoto vodzokera kumusha kwavo.

CHITSAUKO 3
Kubva zvakabva mhuri
yaVaMuchairipa kwaMutemarege,
41
Mandidenha ainge ogara akaringa
nzira achiti zvimwe achaona nyasire
yokutiza nomukaranga wake yopinda
mumusha wake asi hazvina kudaro.
Zisorembwa ndiyewo aingoti padoko
padoko oshanyira sekuru vake,
Mandidenha kuri kuda kundoona kana
pfumbatwa yaMutemarega yainge
yashanda sekutaura kwaainge aita, asi
dzimwe nguva aitowana Mandidenha
achirwidzana nokupfura mapfumo,
miseve, matemo, mapadza
nemapakatwa ari munhika yaiva pedo
nomusha wake. Zisorembwa
zvaimusvota zvokuti akambobatwa
nepfungwa yokuhwandira Mandidenha
munhika imomo achiti amubaye
42
nemuseve, asi azotya kurwiswa
nevamwe varume vaishanda
naMandidenha. Imwe pfungwa ndiyo
yakamuti mumusoro make yoti, "Ko,
Dudzai akasazodzoka ini ndauraya
Mandidenha ndinozoti ndafirei? Regai
nditange ndaziva kuna Dudzai
ndozoita zvose izvi." Zisorembwa
akafunga zvakadzama ndokuona
kuuraya sekuru vake Mandidenha
sezano risina mano.
Akazongozvigarira zvake kumba
kwake ave kuruka mamwe mazano
okuziva kwainge kwakaenda Dudzai.
Uyuwo Mandidenha, munzendo
dzaaifamba achienda kumasango

43
okuMukoriro aive pedo nerwizi Save,
uko kwaaindochera mhangura
yokupfura simbi dzake, akasangana
neimwe mhandara yemunyika
yamambo Hera. Mandidenha
akakwazisa mhandara iye, iyowo
mhandara yacho ndokuti gwadagwa
pasi ndokuti, "Makadini zvenyu."
Zvikanzi naMandidenha, "Ini
ndakasimba chose sezvaunongoona
iwe. Ko unonangepi nokunopisa
kudai?" Izvozvi vamwe varume
vaifamba naMandidenha parwendo
urwu vainge vandomira kwakadaro
uko, vachipa nhungamiri yavo mukana
wokutaura nemhandara iya.

44
Mhandara iya yakati, "Ndiri kuenda
zvangu kumusha kwababa vangu
ndichibva kurwizi kundogeza."
Yakange yachisumuka zvino yotaura
yakamira.
"Zvino zita unonzi ani?" Mandidenha
akabvunza achiswedera pedo
nomusikana uya.
"Zita ndinonzi Shuviro. Baba vangu
vanonzi Chikunichemoto vari jinda
rehondo yaMambo Hera?"
Mandidenha akamboti vhundu
paakanzwa zita rokuti
Chikunichemoto. Chikunichemoto
aimuziva. Vainge vakambosangana
pahondo yavakange vaenda
45
kundorwisa mambo Makoni wemhiri
kwaSave uko. Ndiyoka hondo yakange
yaita kuti vazotapa chikwata
chemhandara chaiva naDudzai.
Mazuva akazouya Chikunichemoto
nepfumo rekubatsira Mambo Makoni
pahondo iyi vanaMandidenha vakange
vave kutorongedzera kuti
vachidzokera kunyika yavo. Vakange
vatora upfumi hwaMambo Makoni
hwakawanda kwazvo.
Mandidenha akazoti, "Unoreva
Chikunichemoto wepfumo renyota
here? Kana ariye, pfumo romurume
uya rakazorerwa muti wechitevedza

46
ropa chete. Hakusi kubaya kunoita
pfumo raChikunichemoto, maiwe-e!"
Shuviro akanyemwerera zvake
paitaurwa mashoko erumbidzo
yaipihwa nababa vake naMandidenha
iyi. Paainyemwerera kudaizvi, aisiya
mazino ainge akati mburetete ava
pamhene. Runako rwese rwaiva paari
rwakabvawo rwati chanjama pamhene.
Shuviro aiva chidya muuya
chemwana. Aiva norunako
rwaitonhodzwa nemvura yechisipiti
chepaChirorodziva.
Mandidenha achiona runako
rwemhandara iyi akashaya kana shoko
rokureva. Akange achingoti dzwii
47
somukuwasha asvikirwa achiseva
mugapu raambuyawasha. Shuviro
zvaakaona Mandidenha angoti tuzu
akabva ati, "Ini ndava kuenda, ndinoda
kusvikoenda kutsime kundochera
mvura navamwe." Shuviro akati
tendeu ndiye tsvitsvinya tsvitsvinya
achienda.
Mandidenha akambosara akamira
akatarisa kufamba kwaiita
nhapwarunako iyi ndokuzoridza
muridzo Shuviro ave chinhambwe.
"Mira ipapo Shuviro!" Akadanidzira
ofambisa achitevera Shuviro. Shuviro
akati tsvii, ndeye tendeukirei kwaibva
naMandidenha. "Ko muchikudei

48
pandiri nhai baba imi?" Shuviro
akabvunza Mandidenha uyo ainge
asvika paari.
Mandidenha akapindura mubvunzo
waShuviro achiti, "Kuti ndikusiye
uchienda ndisina randareva
zvandirambira Shuviro. "
Zvikanzi naShuviro, "Mune rimwe
ripiko ramunoda kureva kwandiri? Ko,
iro zita munzi baba vaaniko?
Hamudaro muri vasori vari kuuya
kuzosora nyika yasekuru vangu imi?"
"Zvokuva vasori bodo Shuviro. Ini
ndinonzi Mandidenha ndichigara
kunyika yaChinomukutu kuvaera
Gumbo uko. Ipo pano titori parwendo
49
rwokuenda kuMukoriro kundochera
mhangura yatinoshandisa pakupfura
mapfumo edu. Shoko randinaro pano
nderekuti ndinoda undibikire sadza
kumusha kwandabva uko."
Shuviro akati, "Munogoti munoda
anokubikirai sadza sei? Munoreva here
kuti muri tsvimborume pauri ipapa?
Iko chinokupai kusvika zera iri musati
maroora chiiko?"
Mandidenha akamboti zii achifunga
kuti odudza chokwadi chezvakaitika
kwaari here kana kuti omira neshoko
remanyepo. Chaaiziva ndechekuti
rume risinganyepi hariroorwi, asizve
imwe pfungwa ndiyo yakamuzevezera
50
yoti, "Rina manyanga hariputirwi
mumushunje." Mandidenha akatsvaira
pahuro pake ndokuti, "Vanasamukare
vakati rwendo nderwo apfiga imba
Shuviro. Uchindiona ndiri pano kudai
ndakange ndabuda mugota kare kare,
asizve pamusha pangu pakasvikwa
nevakadya imbwa hono, ndokututana
nomukaranga wangu. Zvino izvozvi
neanondibikira sadza handichina. Izvi
ndaitira kuti ugare waziva pane kuti
unozondozvibatira wega."
Shuviro akati, "Munogotaura
sezvinonzi ndabvuma kuenda nemi
kumusha kwenyu seiko? Ko, iye
mukaranga wenyu wamunotaura akati

51
nhasi ndadzoka kumurume wangu
ndinozomupindura neshoko rokuti
chii? Ichowo chakapa mukadzi wenyu
kutiza nechikomba chiiko? Hamudaro
maigarokinditsa mukadzi
semunokinditsa ngoma yejikinya imi?"
"Kudzoka haachadzoki ndinozviziva,
ndiko saka wanzwa ndareva mashoko
andareva pano aya. Izvo zvokurova
mukadzi hazvisi zvangu Shuviro."
Mandidenha akadaro.
"Ini zvokuparikwa handidi zvangu.
Munogona kunge muri kurutsa
mashoko emanyepo nomuromo wenyu
uyu. Cherozve akasava emanyepo
zvawo munoti ndianiwo mhandara
52
ingabvuma munhu akatizwa
nomukadzi semi? Dai muri mumwe
matoenda nerwendo rwenyu zvenyu
pane kusweropedza nguva
muchindinyaudza." Shuviro akaropota
mashoko ose aya achiti akafinyama
chiso obata muchiunu, oti zungu
zungu, nhahwamaringa dzematehwe
edzoma dzaainge akasimira dzoti peku
peku.
Mashoko aShuviro akavhundusa
Mandidenha, asizve chikomba
chakaziva kuti chakata iri pasi
ndeyevanhu vose, iri mumuti
ndeyowagona kukwiramo. Akati,
"Unogonditi ndiende kupi iwe usina

53
rine muto rawandipa? Handiti zvinonzi
chinokuda chidewo? Zvino iwe
ukagondiramba sounoramba sadza
unoti ndinozowanepi mumwe
angandibikira nhai Shuviro?"
"Imi munoda rine muto ripi panyaya
yakaora kudai? Dai kusiri kuti
tasangana panzira pano
maizondiudzirepi zvokuti ndikubikirei
sadza izvi?"
"Icho chaita kuti tisangane panzira
pano chiiko? Ichochoka ndicho
chaizongotisanganisazve ndoreva
iwaya okukubudisa munhanga. Dai
utori mumwe wandipa randinoenda

54
ndakabata, tarisa vamwe vangu avo
vave kundidana."
Shuviro akati, "Munogona kuenderera
zvenyu mberi nerwendo rwenyu. Kana
muchirevesa namashoko enyu
ndichazoona nekudzokazve kwenyu
kuno."
"Zvino ndikanyazoka kuno
ndingazoziva pokukuwana here nhai
Shuviro? Ndiratidze nzira yokumusha
kwenyu ndizoziva mafambiro
andinozoita."Mandidenha akadaro.
Shuviro akatsanangurira Mandidenha
kuti kana aizodzoka aizomuwana sei.
Mandidenha akazobva zvake paiva

55
naShuviro obatana nevamwe vake
parwendo rwokundotsvaga mhangura.
Shuviro zvaakaparadzana
naMandidenha akafunga kupfuura
nokumba kwaambuya vake,
VaChizeze kuti avanyeurire
nezvaMandidenha. Akasvikowana
ambuya vake vakagara zvavo
pamumvuri vachisukuta matehwe
engururu, hovo, machangwa
neemabimha. Shuviro akavaswedza
ndokutorawo dehwe rehovo osukuta
kuri kuita kuti awane kuparura nyaya
yake. Akazoti pava paye ndipo
paakati, "Mukati haasi mashura

56
andasangana nawo here ndichibva
kurwizi uko ambuya?"
"Waoneiko muzukuru? Asi nhasi
wazosangana neChireranyika, shato
yomugomo reChiurwi here? Kana
iriyo yawaona ibva wati ziro zvako.
Ukange waona maminimini omugomo
riya usaudza chero ani zvake tinoswera
takushaiwa pamusha pano.
Unozvinzwa Shuviro?" VaChizeze
vakadaro, ndokuzoti suku-suku dehwe
ravainge vakabata.
"Kwete ambuya. Zvandange ndichibva
kundogeza uko ndasangana nevamwe
varume vasere. Mumwe wevarume
vaye ndiye andimisa achiti anoda kuti
57
ndimubikire sadza. Mukutaura kwake
ati haagari munyika yedu muno.
Azotaurazve nezvokutorerwa mukadzi
kwaakaita nemumwe murume." Uyu
aiva Shuviro aiudza mbuya vake.
VaChizeze vakati, "Zvino iwe wamuti
chii?"
"Ndambomupopotera ndichiti zvimwe
achasiyana neni, asi aramba akamira
pashoko rake ambuya. Ndazoona
sokuti mashoko ake haasi okunditapa
mumukanwa ini. Ndazomuti
azodzokazve achindiona pamusha
penyu pano. Ndiyo nzira
yandamuratidza yokuuya pano nokuti
imi munozoziva kwokundiwana kana
58
achinge azouya." Shuviro
akazopedzisa kutaura asi vaChizeze
vainge vasingachateereri nyaya yake.
VaChizeze vaiziva kuti kana Shuviro
aizoroorwa nomumwe murume
yaizovazve ngozi yaizonetsa vedzinza
ravo mangwana. Pakamboita
karunyararo kwekanguva pasina
aitaura nomumwe.
VaChizeze ndivo vakazogura
runyararo urwo voti, "Nyaya yako
yakanakisa chaizvo muzukuru, asizve
ini nababa vako tine nyaya hurusa
yatainge tisati takuruma nzeve. Zvino
iwe zvawauya nenyaya yorudzi urwu
kwandiri, rega ndibve ndachidurawo

59
zvakavanzika zvoupenyu hwako
zvauzingazivi iwe." Chembere
yakambomira kutaura ichiita
seinofunga mashoko okuudza Shuviro.
Yakachizoti, "Unoona zvauri ipapa
muzukuru, une nemurume ari munzira
kuuya kuzokutora. Nyaya iyi yakamira
sezvizvi." Vakamboti mwiro zvakare,
ndokuzosimudzira voti, "Vakoma vako
Muedzo ndiye akatanga zvose izvi
zvandava kukuudza pano. Ndinoreva
uyu wawakazonzwa kuti akafa
nokuzvisungirira uyu.
Zvakanyatsoitika ndezvekuti, Muedzo
akandoroorwa kuvaera Nyati uko.
Aveko akandoita gumbo mumba
gumbo panze ndokuzosvika pakutizira
60
chikomba chake icho chaitovawo
chidoko kuna iye Muedzo uyu. Zvino
chikomba chiya chakauya pano kuti
chibvisire vakoma vako pfuma. Ini
nevamwe vanun'una vababa vako
takatomboramba kugashira pfuma
yechikomba chiya tichiti hazviibvira
kuti mwana aroodzwe kaviri, asi baba
vako vakaomesa gotsi muzukuru.
Kuzoti Chikomba chiya nehama
dzacho vadzokera kumusha kwavo,
ndipo pakasara posvikawo hondo
yamambo Makoni ichiti iri kutsvaga
mukadzi wayo. Hameno kuti ainge
avaruma nzeve nezvokuti tainge
tagashirazve pfuma yaMuedzo kubva
kuchikomba chiya ndiai? Pakaita
61
manyama amire nerongo mumusha
muno muzukuru. Dai zvisiri zvokuti
sekuru vako vainzwana naMakoni
zvimwe tingadai takaurawa tese newe
wacho. Nyaya iyi yakazoti
mhomhomho mushure mokunge
zvanzi baba vako, iye Chikunichemoto
uyu aifanira kuripa vakuwasha vake
ava nemumwe mukadzi uye mombe
sere pamusoro. Mumazuva iwayo, iwe
wakange uchine mwedzi misere chete
kubva mukuberekwa kwako. Zvino
nemamiriro azvakaita iyaya, hazvibviri
kuti uroorwezve muzuku. Ukangodaro
chete tazvigokerazve imwe ngozi
inozotinetsa mangwana."

62
VaChizeze vachipedza kutaura,
Shuviro akati sumu, ndokuposhera
dehwe raainge akabata riya pamberi
paambuya vake. Akabuda nenzira
yaainge abva nayo iya ndokundobata
nzira yainge yabva nanaMndidenha.
Akati denge nayo atarisa kumadokero
zvino ndokuzondogara ava musango
raiva pedo norwizi Nyazvidzi.
CHITSAUKO 4
Mandidenha nechikwata chake
vakandopedza mazuva manomwe vari
kumasango okuMukoriro.
Vakazosimuka vodzokera kunyika
yavo muzuva rechisere. Mumwe
nemumwe akasenga chimutundu
63
chemhangura yavainge vachera
ndokupinda munzira vodzokera
kumisha yavo. Mandidenha ndiye
ainge akatungamira nzira uku
achikanda tsoka zvokuti vaimutevera
vainge vongofemeruka nokufambisa.
Mupfungwa dzake, Mandidenha
aironga kupfuura achiona Shuviro
kunyika yaHera. Varume vakafamba
siku nesikati ndokuzosvika mudunhu
ranaShuviro muzuva repiri.
Mandidenha akaraira vamwe vake kuti
vasamumirira, asi kuti vafanofamba
kuitira kuti rwendo rwavo
rusazononoka kupera.

64
Varume vaiva naMandidenha
vakambeodza kuramba vachiti
hazvaibvira kuti Mandidenha asare ari
oga mudunhu iri. Vamwe ndivo vaiti
kuita kwaMandidenha kwaiva
nenjodzi hurusa, asi Mandidenha
haana kuzviteerera. Moyo nepfungwa
dzake dzakaramba dzichimusunda kuti
atange aonana naShuviro ozopfuurira
mberi nerwendo rwake. Murume
akaviga chimukwende chake chainge
chakasenga mhangura pagwenzi raiva
kure nenzira ndokutsaukira kumusha
waaiinge akarairwa naShuviro.
Chikomba chakati bhafu bhafu
chakatarisana nomusha waVaChizeze.
Izvozvi pfumo rainge rakanzi mbamba
65
muruoko rwaMandidenha. Zvipasa
zvemiseve zvaionekera zvichibuda
munhava yainge yakapakatirwa
kumusana kwechikomba ichi. (Chipasa
ndicho chisimbi chinenge chiri
kumberi kwemuseve. Ndicho
chinobaya chacho) Mandidenha
akazosvika pamusha paVaChizeze
ofemuruka nejecha rainge rakazara
munzira yaaifamba. Panguva
yakazosvika Mandidenha, VaChizeze
vainge vambomira kusukuta matehwe
kwavaiita vachitarisa hwitakwi yerume
yaifamba yakatarisa musha wavo.
Mandidenha aiva nomuviri wemurwi
chaiwo. Aivezve murume
mutematema. Chero zvazvo ainge ari
66
mutematema kudaro chiso chake
chaitaridza kuti ainge asati anyanya
kukura. Pamazuva aya, Mandidenha
akange ave nemakore makumi matatu
nemaviri kubva mukuberekwa kwake.
Izvi zvokupfura mapfumo neimwe
midziyo yesimbi ainge
akazvidzidziswa nasekuru vake
VaChitopota vasati vazoenda
nyikadzimu.
"Tisvike! Tisvike!" Mandidenha
akadaro achibonda maoko.
"Svika zvako muzukuru." VaChizeze
vakadaro vachiedza kucherechedza
chiso chaMandidenha, asi havana
kuchiziva.
67
Mandidenha akasvika pedo
naVaChizeze ndokuti chonjoma.
Akati, "Tibvunze mufarozve ambuya.
Makadiniko pano nevazukuru?"
"Ini ndinoonei mwanangu? Umbori
mwana waniko wandatadza kuziva
iwe? Meso angu azara neutare,
haachaoni aya." VaChizeze vakadaro.
Zvikanzi naMandidenha, "Iwayo haasi
manyepo ambuya. Ini ndiri mweni
wenyu ndichibva kunyika
yaChinomukutu, kuvaera Gumbo uko-
o. Ndiri kutsvagawo mhandara
yandakasiya ndabatisa chuma changu
kunzira yezasi uko. Zvino iye akange

68
ati ndinozomuwana pamusha pano
ambuya."
VaChizeze vakamboramba vakati ziro
vakatarisa Mandidenha mumaziso
chaimo. Mandidenha
akambovhunduka nokutariswa
kwaainge akaitwa naVaChizeze uku.
Pava pasipo VaChizeze vakati,
"Unoreva Shuviro here?"
"Hongu. Ndiyeye chaiye ambuya."
"Ndiwe jaya raaitaura here kana kuti
iwe uri mumwewo zvake?" VaChizeze
vakabvunzazve.
"Ndini ambuya."

69
VaChizeze vakati, "Pakanaka
muzukuru," ndokumboti ziro zvakare.
Vakazoenderera mberi vachiti,
"Shuviro waunoda haasi pano
mwanangu. Nesuwo tiri kutomutsvaga.
Ini ndainge ndotofunga kuti akatizira
kwenyuko kuvaera Gumbo uko. Zvino
kana iwe wauya pano uchiti ndiye
wauri kutsvaga kubva zvoreva kuti
kune imwe nyika yaakaenda isiri
yaChinomukutu. Unoona varume vari
kuuya pano avo?"
Mandidenha akatanga ata cheu
ndokuchiti, "Hongu ambuya.
Ndavaona."

70
"Vari kutobva kundotsvaga Shuviro
wauri kutsvaga uyu. Uchiona
vachisvika pano kudai vasinaye,
kutorevazve kuti vamushaiwa
kumasango ukurwizi Nyazvidzi
kwavainge vaenda nhasi uko."
VaChizeze vakazopedza kutaura
chikwata chevarume vaidarika
makumi maviri chakange chatova
muchivanze chavo.
Chikwata chevarume vaya
chakasvikogara paruvanze
rwechembere iyi. Vamwe vavo ndivo
vairwidzana kumwa mvura yaiva
muchirongo chaiva muberere remba
yaVaChizeze. Mandidenha

71
akacherechedza zviso zvevarume vaya
ndokuona kuti paivawo nevarume
vatatu venyika yavo. Varume ava
vaiva vamwe vechikwata chake
cheparwendo rwokundochera
mhangura. Izvi zvakamutyisa zvikuru.
Akaramba akati chonjoma, uku ruoko
rwerudyi ruchiwedzera kuti mbamba
papfumo rake. Izvozvi aigadzirira
kuzorwisa wese aizoda kumubata.
Mandidenha achiri kugadzirira kudaro
vaChizeze vakabva vabvunza chikwata
chiya kuti chakange chafamba sei
parwendo rwacho rwokundotsvaga
Shuviro. Chirimundiro, mukuru
wechikwata ichi ndiye akapindura oti,

72
"Shuviro tamuwana ambuya, asi atiza
nevamwe vevarume vatinavo pano
ava. Taedza kumudzinganisa, asi ainge
achiita seabudirwa neshavi
redindingwe chairo. Tazongokwanisa
kubata varume vatatu vatakasunga
ava." Chirimundiro akadaro
achitaridza VaChizeze varume vaya.
VaChizeze vakati, "Zvino
pamavabvunza varume ava vati
ndevepiko?" Mubvunzo uyu wakaita
kuti Mandidenha anzwe muviri wake
uchipindwa norumhepo rwaipisa
kwazvo. Murume akatanga kusinira
dikika muviri wake wose nokutya.

73
Chirimundiro akati, "Vati vanobva
kunyika yaChinomukutu, kuvaera
Gumbo uko. Vatizve mukuru wavo
ainge asara achitevera ari shure, asi
munzira mese matafamba umu hatina
mumwe munhu watambosangana naye
asiri wenyika yedu....."
VaChizeze vakabva vabata murume
uya muromo voti, "Handiye here ari
pano uyu?" Ipapo Mandidenha akabva
ati nyamu ndokukanda meso ake
kuchikwata chiya. Chirimundiro
akatiwo simu ndokuita zvikara zviviri
zvatarisana. Chirimundiro akati,
"Zvino ukada zvehondo noushoma
hwenyu uhwohwu kungasava kuedza

74
kubereka katsiga kane moto kumusana
here iwe?"
Mumwe wevarume vechikwata
chaChirimundiro akabvawo ati nyamu
achipupira nefuro achiti, "Imi sekuru
tumburai munhu uyu kani.
Munopedzereiko nguva muchitaura
nevanhu vakadai ava? Kana
zvichinetsa ndipei heye ndimusakadze
izvozvi chaiye!"
VaChizeze vakabva vatiwo,
"Hazvinzwaro muzukuru. Mhosva
haitongwi nokurwa. Zvokurwa izvi
munozviita chete kana muri pahondo
yamunenge matumwa naHera kwete
pamusha pangu pano. Nyaya iri pano
75
iyi haidi kana mapfumo, asi inoda
kunzwana nokuwirirana chete. Iwe
Chirimundiro ndiwe mukuru wavo
vose vapwere ava, ndinoda kuti uite
zvose zvandichareva pano. Ndinoda
kuti usunungure varume vawakasunga
avo. Kana wapedza izvozvo, ini
ndichatungamira nzira tonanga
kumuzinda kwaHera kuti tindogura
nyaya iyi. Shuviro anofanira kudzoswa
pamusha pano mune zvakanaka kwete
kutanga tadiridza pasi neropa ravanhu.
Nyota yevari Matenhere haitonhodzwi
neropa asi nedoro rezviyo.
Unozvinzwa zvandiri kutaura izvi."
Chirimundiro akabva abvumira

76
mashoko aVaChizeze achiti, "Hongu
ambuya."
VaChizeze vairemekedzwa zvikuru
munyika yaMambo hera. Chembere iyi
ndiyo yaiva mai vamambo wevaera
Shava, uyo aiva dangwe rake. Shure
kwaMambo kwaitevera
Chikunichemoto uyo akazosiirawo
vasikana vatatu zamhu, nyoka
yaVaChizeze ichibva yaguma
yakadaro.
Chirimundiro akaita sokutaura
kwaVaChizeze ndokusunungura
varume vechikwata chaMandidenha
chiye. VaChizeze vakati simu
ndokutora mudonzvo wayo vodonzva
77
vachienda kumuzinda wamambo.
Matehwe avaisukuta ainge angosiwa
ari mvimviri mvimviri pachivanze
chavo. Mamwe ndiwo akasara
achitorwa neimbwa dzevavakidzani
vechembere iyi dzichienda nawo kure
nomusha. Munzira VaChizeze
vaifamba vachiudza Chirimundiro
magurirwo aifanira kuzoitwa nyaya
iyi. Vakazoswerosvika mumuzinda
VaChizeze naChirimundiro vava
neshoko rimwe. Vasvika, VaChizeze
ndivo vakapira nyaya iyi kunaMambo
Hera. Mambo Hera vachinzwa
nezvenyaya yainge yauya naamai
vavo, vakati nyaya iyi yaifanira
kunzwikwawo nemakurukota ake
78
sezvo yaiva nyaya yaigona kuzopera
nehondo yemapfumo. Makurukota
akaunganidzwa padare ramambo kuti
vadzeye nyaya iyi. VaChizeze ndivo
vaiva munhukadzi padare iri.
Mushure mokunge dare raungana
VaChizeze vakanzi vasume nyaya
kudare. VaChizeze vakatanga nokuti
bu bu bu, ndokuzoti, "Pamusoroi
nevanji waHwata,
vokwaNyamhangambiri. Mwana
waShirichirima, ane mutsa nengoni.
Akaitira ngoni vakange vatandwa.
Akavadzorera Mushavarunzwe.
Pamusoroi Nhuka! Matuka Mhofu
Yomukono. Kudya mhofu kudya

79
munyepfu. Kudya pfupa meno
omokotoka. Pamusoroi Shava yangu
yiyi." Nhetembo yaVaChizeze
yakapeterwa nemheterwa negusvi
raibva kumakurukota amambo. Kuzoti
ruzha rwati mbombobo VaChizeze
vakaenderera mberi vachiti,
"Muchiona ndauya pano Shava yangu
yiyi, pane nyaya iri pakati pedu isu
nevarume vanoti vanobva kunyika
yaChinomukutu vagere papa ava.
Nyaya iyoyi yaitazve kuti ndive
nekufunga kukurusa kuti mugumo
wehondo dzokurwira tsvingudzi
uchazovapo kana zvaita sei? Ini
ndaifunga kuti imi samambo
anouchenjeri. Mambo asingatongi
80
nedemo. Mambo ane mutsa nengoti,
muve imi mambo wokutanga kugura
nyaya yorudzi urwu pasina hondo
yemapfumo kana yemakona.
Pamusoro pazvo izvi, ndine mubvunzo
wandange ndichizvibvunza pandainge
ndiri munzira ndichiuya pano
pamuzinda pomwana weura hwangu.
Mubvunzo uyu ndounoti,
zvichazogumazve riini zvokuti mhaka
yetsvingudzi inoripwa nomunhu?
Mukutsvaga mhinduro yemubvunzo
uyu ndazongopendera ndichiti izvi
zvinofanira kugumiswa newe
Mufakose, dangwe raHwata." Paitaura
VaChizeze kudai, dare rose rainge

81
rakati kwaka richiteerera mashoko
echembere iyi.
Zvakanyarara VaChizeze, Mambo
Hera vakabva vati, "Nyaya yevarume
ava imbori yechii chaizvo nhai hosi
yababa vangu?"
Zvikanzi naVaChizeze, "Nyaya iyi ine
chokuita naShuviro, gotwe rejinda
Chikunichemoto uyo akatiza munyika
ino achienda kunyika yatisingazivi
tose." VaChizeze, vakambonyarara
ndokuzoenderera mberi vachiti, "Zvino
zvazoitika ndezvekuti nhasi uno
ndakagara pamusha pangu ndaona
murume uyu achisvika achiti ari
kutsvaga Shuviro. Aiti ainge
82
akamboonana naye mumazuva
akazotiza mwana wedu uyu...."
VaChizeze vakabva vanzi gwishu
naChikunichemoto uyo ainge asimuka
achitaura nezwi raiva pamusoro, "Saka
zvinorevazve kuti murume uyu ndiye
anoziva kwaakaisa mwanasikana
wangu? Ndiye chete hakuna mumwe.
Imi handifungi kuti Shuviro akatiza
nyaya yamakamuudza iye asi,..."
"Miraizve ndipedzise Mhofu yangu
yiyi." VaChizeze vakadaro,
Chikunichemoto ndokubva agara pasi.
VaChizeze vakati, "Tiri pakati
pokutaura kudaro ndipo pabva
pasvikawo Chirimundiro uyu
83
nechikwata chake chevarwi. Pakati
pavo painge paine varume vatatu ava
vainge vakasungwa maoko avo.
Chirimundiro azonditsangura achiti,
Shuviro vainge vamuona aine varume
venyika yaChinomukutu ivava, asi
vatadza kumubata sezvo avatisa
achiyambukira mhiri kwaNyazvidzi
uko. Vatizve vazongokwanisa kubata
varume vatatu ava chete, asi vamwe
vavo vapoya naShuviro. Zvino ini
ndazoti tiuye kuno kuti tizonzwa kuti
nyaya iyi inogurwa sei? Ini ndapedza
Mhofu yomukono." VaChizeze
vakatizve bu bu bu ndokunyarara.

84
Mambo vakataura kumakurukota avo
vachiti, "Mose mazvinzwira mega
nyaya iri pano. Mwana wedu
wataitsvaga uya awanikwa aine
varume venyika yaChinomukutu ava.
Zvino ini ndinoda kuti varume ava
vatiudze kuti mwana wedu vaimudini
uyezve vakazomuisa kupi?"
Mambo vachinyarara VaChizeze
vakabva vati, "Pamusoroi Mhofu. Ini
ndinokumbira kuti pamuchadzeya
nyaya iyi mucherekedze naichowo
chakakonzera kuti mwana wedu atize
mumusha muno. Ndinofungazve kuti
Shuviro haana kutiza nyaya yokuti
akange asangana nevarume ava

85
sokufunga kwedu tose pano, asi kuti
akatiza nyaya yokumuroodza
kwatakaita tichiripa mhaka yegore
riya. Ndipo pandange ndichiti
zvichaguma riniko izvi kana isu
vakuru tichienda tichizvisiya
zvakamira mamiriro azvakaita
iwawa?"
"Ipapo tapanzwa amai. Chiregai
titange tanzwa kuti varume ava mwana
wedu vamuisepi? Kana paine pavasiya
vamuviga hazvina kunaka here kuti
vandomutora vauye naye pano?
Tiudzei varume." Mambo vakadaro.
Mandidenha ndiye akapindura achiti,
"Pamusori mambo nemi makurukota
86
edare rino. Ini ndinotaura ndichiti,
Shuviro ndakagumisira kumuona musi
watasangana tiri parwendo rwedu
rwokuenda kumasango oMukoriro
uko. Ndazovabvunzawo vamwe vangu
ava nezvaShuviro patainge tiri munzira
yokuuya pano, vakandipindura vachiti,
ivo vainge vaona Shuviro akagara
padivi penzira. Vamubvunzawo kuti
aitsvagei musango rine zvikara kudaro
ari ega, iye akavapa mhinduro inoti,
'Kusiri kufa ndokupi? Hama dzangu
dzakandiuraya kare saka ndisiyei
ndichipedziswa nezvikara zvemusango
muno.' Vatizve vazomunyengetedza
vakandogara naye pasi vonzwisisa
zvainge zvaitika kwaari. Vari kuti
87
Shuviro avaudza achiti ari kutiza
nyaya yokuroodzwa kumurume
waasati aziva zvichinzi kwaiva kuripa
mhaka yakaitwa nababa vake
yokuroodza mwana wavo kaviri.
Shuviro anonzi atsidzazve kuti
kunyangwe zuva rinzi richabuda
nokumadokero richindovirira
kumabvazuva haasi kuzodzokera
pamusha pababa vake. Vari pakati
pehurukuro iyoyi naShuviro ndipo
pazosvika varwi venyika ino
vakavabata asi vamwe vangu
vapukunyuka kusanganisirawo naiye
Shuviro. Uku ndiko kutaura
kwevamwe vangu Mambo wangu."

88
Chikunichemoto akabva ataura achiti,
"Imi varume mose muri pano manzwa
zvataurwa nomurume uyu. Ndinoona
sokuti murume uyu inyasire chaiyo.
Zvose zvokuti Shuviro ati haachadi
kudzoka pamusha pano mashoko
emanyepo chete. Murume uyu ari
kutsvaga nzira yokupamba nayo
mwana wangu nechisimba
achishandisa mashoko ekutidzimaidza
tose pano. Zvino chiteerera iwe
murume iwe. Ndinoda kuona Shuviro
pano. Ini ndinonzi Chikunichemoto,
zvichireva kuti ndinobvira zvose
nokupisa ndapedza newe."

89
Rimwe gurukota rakati, "Ipapo
ndinowirirana nemi Jinda guru
ramambo. Varume ava vauya kuedza
pfungwa dzedu chete padare rino. Iwe
Chirimundiro, sei wauya nevarume
ava vari vapenyu mumusha medu?
Ava vanhu ndivo vaigarotibira
zvipfuyo zvedu munyika ino. Iye
Chinomukutu akanganwa chegore riye
haikona."
Rimwezve gurukota rakataura
richiwirirana nokutaura kwevamwe
varo. VaChizeze vaona kuti nyaya iyi
yaisazopera nomutoo wavaida vakabva
bu bu bu, ndokuti "Iwe Mufakose
usangonyarara uchiregera mashoko

90
akaipa aya achitaurika padare rako.
(izvozvi vaireva Mambo Hera.) Nyaya
yandataura pano hauna kuinzwasu?
Nemi varume imi musangorotomoka
mashoko eutsinye chete. Inga zvinonzi
chinopepwa urwere kwete rukukwe.
Zvino imi sei muchida kutonga
varume ava musingadi kutonga
mhosva yamunoti vakapara. Handiti
kuziva kuti varume ava havana
mhosva yavakapara, asi kuti isu tiri
pano tisu tine maoko akasviba kuti
ndoo setsito. Munoti dai
Chikunichemoto asina kuroodza
Muedzo kuvarume vaviri vaye, dare
ratinaro pano iri ringadai riripo here?
Chero iye Shuviro watinoti tinoda
91
kumuona tose pano angadai akaita
zvokubva achitiza here pamusha pano?
Vhurai meso varume. Hamuoni kuti
tiri kukanganisa upenyu hwevana vedu
nokuda hwehudyire hwatinahwo
uhwu..?"
"Ndizvo zvatinorambira veshashiko
pamatare izvi Mufakose. Hapana
chatinotonga chichibudirira kana
vanhu ava vari padare rino. Zviri
kutaurwa ipapa munonzwa
nekwazvakananga here? Ndinofunga
kuti mbuya vabatiswa pfumbatiso
nevarume vaChinomukutu ava.
Hazvidaro vavimbiswa mombe gumi
dzokuti vareverere varume ava?"

92
Rimwe gurukota rainzi Chinembiri
rakadaro.
VaChizeze vakati, "Kana uri sewe
zvako Chinembiri ibva wanyara.
Ndiwe umwe akafanana nomwana
wangu Chikunichemoto uyu.
Hamunyari here varume vakuru
kuroodza vana vachiri pamukaka
nokuda kwounyope hwenyu. Unoti dai
wairima sezvinoita vamwe vese vari
pano ungadai wakazvarira iwe
Chinembiri?" Vakatendeukira kuna
Mambo ndokuti, "Iwe Mufakose
ungwarire vanhu vakaita saChinembiri
iyeyu wokuita mbiri yokuzvarira
achitadza kuroodza vana nenzira

93
yokuti vanokumbirwa. Chiteerera
zvandava kutaura pano izvi Mufakose
newe Chikunichemoto. Zvose zvokuti
Shuviro aende kuvarume venyika
yaMakoni hazvisi kuzoitika.
Zvichaitika chete kana iye Shuviro
azvibvuma. Kana Makoni achizouya
nehondo inotiparadza, zvingatova nane
tipere zvedu tose nokuti ndisu
takazvipaikira panyanga dzamushore
nokuita kwedu kwakapata kudai.
Hamunzwe tsitsi here muchiona
mwana ave kugara musango semhuka
achitiza kuita kwedu kusina tsitsi?
Ndapedza ini Chizeze. Tosangana
mangwana mangwanani padare rino
tichizopedzisa nyaya yaShuviro iyoyi."
94
VaChizeze vakadaro vosumuka kuti
vachienda kumba kwavo. Zuva
rakange rachidoka zvino. Mhindo
yakange yotangawo kutinhira chiedza
kure nenyika yaHera.
CHITSAUKO 5
Chava chifumi chamangwana,
VaChizeze nemakurukota amambo
Hera vakamukira kuenda kumuzinda
kwamambo kundopedzisa nyaya
yanaMandidenha. Zuva rakazobuda
munhu wese akange ave padare apa.
VaMandidenha nevamwe vake
vakaunzwawo pamberi pedzare.
Vakanga vazorara pamusha pamambo
vakarindwa nevarwi vamambo Hera
95
kuri kuitira kuti vasatize. VaChizeze
vachiona Mandidenha navamwe vake
vakarindwa nevarwi vaHera
vakarwadziwa kwazvo, asi havana
chavakati bufu. Dare rakazotangiswa
mushure mokunge mambo amutswa
nokubvunzwa kuti akange avata sei
usiku hwainge hwadarika.
Chapanduka, mukuru wemakurukota
amambo Hera ndiye akatanga
nokusuma Mambo kuti vainge
voenderera mberi nokutonga nyaya
yavainge vakasiira panzira zuva
rakange rapfuura.
"Pamusoroi Mhofu yomukono.
Taungana pano mangwanani ano kuti

96
tigure nyaya yevarume vagere apa ava.
Ndinodavira kuti mumwe nemumwe
auya akagadzirira kuti titonge nyaya
iyi zvine ungwaru, tisingatarisi kuti
vasungwa yenyika yedu here kana kuti
kwete." Paitaura Chapanduka
kudaizvi, VaChizeze waivaona
vachigutsurira musoro sedambakuro
kuri kufarira mashoko egurukota iri.
"Zvino kana tauya takagadzirira
tinogona kuchitangisa nyaya yedu
sezvo vasungwa vedu vaunzwa
pamberi pedare kudai. Mhosva yatiri
kupomera varume vana ava
ndeyokupamba mwanasikana
womumusha medu muno...."

97
"Ndimbokubata muromo iwe
Chapanduka. Ndinoziva kuti pane
mamwe matare amunosigara imi
savarume chete, asi dare rino ndaona
rakangofanana nemamwe atinosigara
kana paine munhu anenge adarika
murawu wenyika yedu. Zvino zvainge
zvisina kunaka here kuti vanhu vese
vavewo padare rino kuti vaonzwa
muguriro uchaitwa nyaya iyi?"
VaChizeze vakadaro ndokupedzisira
nokugugudzira bute muchanza chavo.
Vakati fembu fembu mumhino dzavo
dzose ndiye hotsi hotsi hotsi
vachibudisa dzihwa rainge rakasviba
kuti ndoo. Vakatsvimwa dzihwa riya
vachishandisa chara
98
nechichitendekahama ndokurikandira
kwakadaro. Vapedzazvo vakakwidzira
zvigunwe zvavo muvhu
ndokuchiteerera zvainge zvotaurwa
nevarume vaiva padare iri.
Pakamboita makakatanwa mamwe
makurukota achiti mashoko
aVaChizeve aisafanira kutevedzerwa.
Mambo ndivo vakazogura nyaya iyi
nokuti zvainge zvataurwa naamai vavo
ndizvo zvaifanira kuitwa nokuti dare
iri raisada makurukota chete.
Hwamanda yehokero yedare
yakakuma yozivisa vanhu kuti
kwainge kwaida dare kumuzinda.
Vanhu vakasiya mabasa ose avaiita

99
vomhanyira kumuzinda kuti
vandoonzwa kuti raiva dare rechii
ravainge vadaidzirwa. Nenguva isipi
padare raHera painge pasviba kuti
tsvaa nevanhu. Mambo Hera vakazoti
nyaya itange kutongwa zvisinei kuti
vamwe vanhu vakange vachiri kupinda
mumuzinda. Chapanduka ndiye
akapira nyaya kuruzhinji. Ruzhinji
rwevanhu vaiva padare apa
vakatsamwira Mandidenha nevamwe
vake. Vamwe ndivo vakaita mahon'era
vachiti Mandidenha nevamwe vake
vasungwe vondokandwa mugomo
reChiurwi kuitira kuti vadyiwe
nezvikara zvemugomo iri. Chapanduka
akazoti vanhu vachinyarara sezvo
100
yakange yave nguva yokuti vasungwa
vachibvunzwa kuti vaiti chinyi
nemhosva yavaipomerwa.
Akatanga kubvunza ndiye Chapanduka
achiti, "Imi varume vaChinomukuti
muri kupomerwa mhosva yokubata
mwana wedu utapwa, munozvibvuma
here izvi?"
"Kwete Mambo wangu hatina kana
chimwe chatinoziva maringe
nokushaikwa kwomwanasikana
wamunoreva uyu." Mandidenha
akapindura sezvo ariye akange ari
mukuru wevarume ava.
Chapanduka akakushazve mumwe
mubvunzo oti, "Unogoti hauna
101
chaunoziva sei iye Shuviro akaonekwa
aine vamwe vako vari papa ava?"
Mandidenha akatanga atarisa vamwe
vake ndokungoona vose vari vatatu
vakati tsiki tsiki pasi. Akadzosa meso
kudare ndokuramba mhosva achiti,
"Mashoko amataura okuti Shuviro
akange aine vamwe vangu aya handisi
kupokana nawo, asi ndinopokana
nemashoko okuti pakaonekwa Shuviro
aine varume ave ainge akabatwa
utapwa. Kana ainge akabatwa utapwa
akazotiza sei?"
"Dare haribvunzwi mubvunzo
wazvinzwa iwe? Iwe chako kupindura
zvaunenge wabvunzwa kwete
102
zvematakanana zvaunoda kutiitira
pano izvi." Chapanduka akadaro
achitendeka Mandidenha netsvimbo
yake. Akabva apawo mukana kune
vamwe vake kuti vabvunze mibvunzo
kuvasungwa vavo.
Chikunichemoto akati kwarakwashu
achitya kutangirwa nemamwe
makurukota ndokuti,"Iwe waramba
kuti makabata Shuviro utapwa
ndizvoka?"
Zvikanzi naMandidenha, "Hongu
mambo wangu."
"Zvino kana iwe, kana vamwe vako
vasipo pano musina kubata Shuviro
utapwa, sei Shuviro asina kutiza
103
achidzoka kumusha kuno? Handiti
hutori huchapupu hwakakwana
hwokuti vamwe venyu ndivo vakatiza
nomwana wedu?" NdiChikunichemoto
uyu. Murume uyu aiva nenjere
dzaipinza zvokuti hakuna munhu
aipara mhosva akasabatwa nedare kana
Chikunichemoto aivapo.
"Ipapo ndinoramba ndichiti, ini
nevamwe vangu vari pano ava hatina
kubata Shuviro utapwa. Zvokuti
Shuviro akazobatwa utapwa nevamwe
vangu vasipo pano hazvina anogona
kupupura kuti ndezvechokwadi here
kana kuti ndezvemanyepo.Nokudaro
ndinoti inotongerwa ndeye mombe

104
yemunhu inozvipindurira yega. Imi
kana mati ini nevamwe vangu vari
pano ava takatapa Shuviro titongei isu.
Asi kana matiwo vamwe vedu vasipo
pano ndivo vakatapa Shuviro ibvai
matonga ivo. Isu tiri vana kudai tine
zvapupu zvinotipupurira kuti chii
chaizvo chakaita kuti Shuviro azotiza
mumusha muno. VaChizeze vanogona
kupupura zvandiri kutaura pano izvi.
Uyuwo Chirimundiro anogona
kupupura zvakanyatsoitika kusango
kwavakaona Shuviro aine vamwe
vangu uko. Dai dare rino ratendera
kuti VaChizeze vatsanangure
zvakanyatsoitika kuna Shuviro
zvimwe vakadzi venyika ino
105
vaigumisira vabuda muutapwa
hwavari uhwu." Mandidenha akadaro
achiita seabudirwa neshavi rokutaura.
VaChizeze vaionekwawo
nokugutsurira musoro kuri kutaridza
kufarira mhinduro dzemurume uyu.
Mupfungwa dzavo vaiti dai Shuviro
adzoka zvake azoenda nomurume aive
nenjere dzakatesvera somunzwa idzi.
Mandidenha achinyarara vaChizeze
vakati bu bu bu ndiye simu. Chembere
yakachibatsirwa kumira nomudonzvo
wayo. Yakati koso koso ndokuti, "Iyi
nyaya yataunganira pano nhasi iyi
yakabvira masikati anezuro. Nhasi
ndinoda kuti imi vanhu vose muri pano

106
muzive zvakavanzika zveimba
yeumambo hwevaera Shava ava. Ini
pandiri pano ndiri mutorwa munyika
ino. Mufakose wamunoona ava kunzi
mambo Hera nhasi uno uyu ndini
ndakamuyamwisa pamazamu anga
aya. Naiyewo Chikunichemoto, Jinda
guru rehondo yenyika ino iri ndini
ndakarizvarazve. Shuviro azoita kuti
tigare dare rino nhasi ndini
ndakatamba unyamukuta namaoko
angu aya. Mushure mokuzvarwa
kwaShuviro, Muedzo vakoma vake
vakange vakaroorwa kuvaera Nyati
uko vakaita makunakuna ndokutizira
jaya repedo nerwizi Odzi uko. Zvino
jaya riya rakauya pamusha pano
107
robvisira Muedzo pfuma isu nokuda
kwehudyire hwedu, takauchira
chimandamanda toroodzazve Muedzo
rwepiri." VaChizeze vakambomiswa
kutaura nekuda kweruzhinji rwakange
rwakanuka mashoko aya.
Vakaenderera mberi, "Izvi zvapera,
vokuvarume vaMuedzo vepakutanga
vakauya mumusha muno
vachibatsirwa nepfumo raMambo
Makoni vachiti vanoda mumwe
mudzimai. Zvino isu nokutya kuti
nyika yose yaizomukira mwana wangu
uyu, Mufakose, takaronga kuti
varume vaya vaizotora Shuviro kana
achinge azoyaruka. Izvi vakazvitenda
ndokudzokera kumusha kwavo.
108
Shuviro akasarawo achiyaruka
zvataiona tese munyika muno. Zvino
zvakazoitika ndakazorumawo
muzukuru wangu nzeve nezvechiitiko
chakaitika achiri rusvava ichi, asi
haana kuzvigashira. Shuviro
akangosimuka asina raati bufu ndokuti
tande nenzira yokurwizi." VaChizeze
vakamboti zii vakatarisa mambo
namakurukota ake. Izvozvi dare rose
rainge rakati kwaka pasina kana
neaipfakanyika.
VaChizeze vakasimudzira, "Zvino
zvava kwamuri mose muri pano kuti
muchati chinyi nenyaya iyi? Mashoko
amakanzwa aya okuti Shuviro akanga

109
abatwa utapwa nevavengi vedu aiva
mashoko emanyepo ega ega. Varume
vamunoona vari papa ava handivo
vakatapa Shuviro. Naizvozvo dare rino
rinofanira kuongorora nyaya yakaita
kuti Shuviro azotiza mumusha medu
muno. Tose tinorwadziwa, kunyanya
isu madzimai nesarudzo dizinoitirwa
vana vedu navarume vakagara uku
ava. Zvainge zvakadiniwo kuti tiite
sarudzo yeramangwana revana vedu
tiri pamwe kwete kuti zvarehwa
navarume ava ndizvo zvinonzi
ngazviitwe?" VaChizeze vakadaro
vachitendeka divi rainge rakagara
varume padare iri. Vakacheukira
kumadzimai ndokuti, "Imi vakadzi
110
musangonyarara ndichirwa hondo iyi
ndega pano. Tosvika riniko
tichizvarira kuharahwa netsvimborume
dzenyika ino? Tosvikazve riniko
tichiripa mhaka yomumwe munhu
nevanasikana vatakazvara isu? Toenda
here tichisiira vazukuru vedu tsika
dzinodzvanyirira kudai? Ndipindurei
imi mose muri pano. Ndipindurei
kani!" Vakabva vati pasi kwizhima.
Vanhu vakamboita mahon'era vamwe
vachiti mashoko aVaChizeze aisava
norukudzo kudare naMambo.
Vamwewo ndivo vaitenderana navo
vachiti nyaya yokuzvarira nokuripa
mhaka nemwanasikana yaifanira

111
kuguma. Mambo nemakurukota ake
vainge vachizevezeranawo
vachibvunzana kuti nyaya iyi
yozogurwa sei? Mushure mokunge
vazevezerana Chapanduka akasimuka
ndokuti, "Tose tanzwa zvatarwa
nambuya vedu padare rino. Isu
semakurukota amambo pamwechete
naMambo taona zvakakodzera kuti
nyaya yevarume ava igurwe nenzira
yakafanira. Ambuya vatipa uchapupu
hwokuti Shuviro haana kutapwa, asi
kuti akatiza. Izvi hazvina mumwe
anogona kupikisa sezvo musi watiza
Shuviro akange aina ambuya vake
VaChizeze ava. Humwezve huchapupu
hwakabva kumurwi wedu
112
Chirimundiro uyu ndehwokuti Shuviro
akange avatiza musango mavakange
vakuona. Vakaedzawo
kumudzinganisa asi vakatadza
kumubata. Nokudaro dare rino rinoti
varume vana ava havana mhosva
yavakapara saka vakasununguka zvavo
kuchienda kumisha yavo." Apedza
kutaura akabva agara pasi osiira
mukana kunaMambo Hera.
Mambo Hera akati nyamu
achiperekedzwa nenondo nemipururu
yaitunga gore. Mambo vakasimudza
pfumo ravo mudenga vanhu ndokuti
kwaka. Vakati, "Munguva yange
ichitaura amai vangu ndanzwa misodzi

113
ichimhanya ichiuya mumeso angu.
Ndafunga zvakadzamisisa, pfungwa
dzangu ndokundidzosera kumakore
okumashure ndichiri jaya chairo. Kune
vasingazivi, isu takazvarwa tiri vatatu
chete mumba yaamai vangu
VaChizeze ava. Ini ndini dangwe ravo
ndichiteverwa naChikunichemoto uyo
akazosiirawo hanzvadzi yedu
Manditadzira. Vazhinji venyu
Manditadzira hamumuzivi, neniwo
pandiri pano nekwaari nhasi uno
handizivi. Zvakaitika chaizvo kuti
Manditadzira azobuda mumusha muno
ndizvo zviri kunzi naamai tosvika rini
tichiripa ngozi nevanasikana?
Tozvikazve riiniko tichizvarira?
114
Neniwo ndinoti kunana sorojena vose
vari pano munoda kuenda muchisiya
zvakangodai here? Ndimi munoziva
mavambiro enyaya dzatiri kutaura
pano idzi. Zvino vanaamai vanoti
havachadi zvokuzvarira ava. Munoti
chinyi nazvo?" Varume vose hapana
kana kana akapindura mubvunzo
wamambo uyu. Mambo
vakasimudzira, "Yaora yatya rufu
vanamaiwe-e? Mhosva ndeyedu vana
baba. Dai tisisu Shuviro angadai ari
mumusha muno nhasi uno. Dai tisisu,
tingadai tichizivazve kwakaenda
Manditadzira. Dai tisisuzve, chero
mhosva yetsvingudzi ingadai isiko iyi.
Isu tisu tinovhima. Tisuzve
115
vanamutorazvevamwe, tinotora nezviri
muriva rehama. Ndisuzve tinokanda
zviraura mudziva, asiwo hove
yakaguta inotsvageiwo pamuteyo?
Nemiwo vanamai siyai katsika kenyu
kokusanganisa mombe nedzevamwe.
Mukupendera ndinoti achapara mhake
yake ndiye achairipa pasina kupaza
danga romumwe. Vana havasi vababa
chete, asi ndevedu tose namadzimai
agere papa aya." Mashoko amambo
akatambirwa nemherere yaibva kudivi
ramadzimai. Zvaiti runosvetuka
nokurimbinyuka. Runoridza mipururu
nerunorova mhanja. Kana vari
saVaChizeze vakatadza kana

116
nokusimuka nokuda kwemufaro
wainge wavaputira.
CHITSAUKO 6
Zvokutuka nokushoora Porunobva
zvatonhorera, mhuri yaVaMarufu
yakagarazve dare rokutsvaga kuti
vaizoviga sei mushakabvu. Padare iri
vaibatsirana naVaChirochimwe,
sadunhu wedunhu raigara VaMarufu
nemhuri yavo. Pakamboita
makakatanwa vamwe vachiti rukarwa
rwaDudzai rwaifanira kutemwa
nomunhu aiera mutupo mumwe chete
nomushakabvu. Vamwewo vachiti
Dudzai aifanira kuvigwa somutorwa
nokudaro rukarwa rweguva rake
117
rwaifanira kutemwa nen'anga. Izvi
zvakasiya dare rasungwa maoko ose
kuti shwee. Chainge chonetsa
ndechekuti mhuri yaVaMarufu
yaifanira kutevedza zvipi pazviviri
izvi. Chimwezve chainetsa pakuvigwa
kwomukadzi uyu ndechekuti Dudzai
aisangovawo musikana njee pamazuva
aakazoroorwa naPorunobva, asi kuti
aiva mukadzi aiva nemba yake.
Mukadzi aiva nomurume nevana
vaviri. Dare rakaonazve zvaizovanetsa
mangwana kana vaizoviga Dudzai,
vokuvarume vake vepakutanga
vasingazivi.

118
VaChirochimwe vakati, "Varume
ngatichiregai kupedza nguva tichingoti
chino bate chino tsve. Tarisai zuva
rorereka iri mutumbi womushakabvu
uchingova mumba umo.
Ngatichirongai zvinopera. Ini
ndaifunga kuti sezvo mushakabvu
ainge akamboroorwa kuvaera gumbo
uko, zvanga zvakadini kuti titume
nhume inoenda kuvaera Gumbo ikoko
ichindotsvaga pamusha pomurume
womushakabvu..."
"Ko akandopashaya nhai sekuru?"
Murenga akadaro achibata
VaChirochimwe muromo.

119
"Mira ndipedzezve iwe Murenga.
Anogopashaya sei iye murume wacho
achinzi mupfuri wemapfumo evarwi
vaChinomukutu? Handiti nhume
inofanira kutongosvikira mumusha
wamambo? Nzira yokumusha
kwemurume iyeyu inozoratidzwa yava
mumushamo? Chandinototyira
ndechekuti vapfuri vanonetsa
kuvawana vari panzvimbo setsuro.
Potse potse kutaura kuno murume
iyeye atori mumasango achitsvanga
mhangura." VaChimwechete vakadaro
ndokunyarara vomirira kunzwa kuti
vamwe vaive padare iri vaifungei
nepfungwa yavo iyi.

120
VaNdoringepi avo vaiva mukuru
wemusha vakabva vangoti, "Aya
mashoko akanaka chaizvo Vhudzijena
ndosaka muripano muchibatsirana
nevana vemadzikoma enyu kudai.
Regai nditi zano vaviri, zano ndega
akazosiya gudza mumasese.
Zvenhume hazvina kuipa, asizve chero
nhume ikandouya nevarume vaDudzai
vepakutanga ndivo vangazotema
rukarwa rwerinda remushakabvu here?
Chimwe chadzoka chonetsa
ndechekuti kumusha kwomushakabvu
kwadzoka kwoita kure zvokuti chero
tikanyaratidzwa nzira yokuendako,
hatingakusviki nezuva rimwe. Handiti
runotova rwendo rwemazuva mashanu
121
kana kudarika. Zvino tingafamba
rwendo urworu tichisiya mutumbi
wemufi uri mumba here nhai
Makwiramiti?" Varume vese vaiva
padare vakabva vati tsiki tsiki mushure
mokunge mashoko aVaNdoringepi
avaratidza kuti nyaya iyi yaisava nyore
sokufunga kwaiita vamwe vavo.
VaChirochimwe vakatsvaira pahuro
pavo ndokutsigira pfungwa yavo
vachiti, "Mashoko ako akanakisa
Ndoringepi. Ini nyaya yangu iri pakuti
tinofanira kutanga taonana
nevakaendesa pfuma kumusha
kwaDudzai uyu tisati taita kana chipi
zvacho pamutumbi womushakabvu.

122
Kana varamba kutibatsira, ndipo
potozoita zvokuti rukarwa rutemwe
neunoera Nyati, kana kuti tomuviga
somutorwa sekutaura kwawamboita
iwe."
Sadunhu asati apedza kutaura
VaMarufu vakabva vangoshamawo
muromo voti, "Tiri panyaya yokutuma
nhume iyi, ndinofungazve kuti
mashoko aichandotaura haasi okuti
tisu takange tatora mukadzi uyu, asi
kuti akatouyawo mumusha muno
achitsvaga kupotera. Hameno kuti
munopaona sei vakomana?"
"Iroro idama Makwiramiti. Baba vako
nyakuenda vaiva neshumo inoti,
123
'mubai wetsumo anowana zvaanoda.'
Apa hapachadi kuti tiite
samuparamhaka abatirwa panzvimbo,
asi pava kutoda mashoko emanomano
kuti tikunde." VaChirochimwe
vakadaro vachiwirirana
naVaMarufu.Dare rose
rakabvumirawo richitaridza kuwirana
nepfungwa yokuti nhume iende
kunyika yaChinomukutu
yakagukuchira mashoko emanomano.
Dare rakazoenderera mberi
nokusarudza nhume dzaizoenda
kunyika yaChinomukutu.
Madzimuramoto, muzukuru mukuru
wemhuri yaVaMarufu ndiye akanzi

124
abatate naMurenga parwendo
rwokuenda kuvaera gumbo urwu.
Varume vakambokweshanazve padare
votsvaga mashoko ainyatsopindirana
nezvavaida. Dare raizivazve kuti
rwendo rwokuenda kunyika
yaChinomukuti urwu rwakange
rwakangofanana nokuzororera pedo
nepakazvarira ingwe. Nokudaro dare
rakakohomedzera kuti
Madzimuramoto naMurenga vaifanira
kuramba vakamira nemashoko avo
avanenge vasvika nawo kuvanhu
venyika iyi.
"Nyatsoteeresai imi vakomana. Mberi
kwamuri kuenda uko kwakasiyana

125
nepano patakagara tichihwereketa
pasina anobaya mumwe nepfumo. Ini
handidi kukunyeperai nokuti munozoti
sei tisina kunge takurumai nzeve
maringe nezvamunogona
kundosangana nazvo mberi uko. Kune
rufu kwamuri kuenda uku. Iwe
Murenga ndiwe usati wambosangana
nenyaya dzorudzi urwu. Ukanyapiswa
nechigutsa chine moto, mhere
hairidzwi nokuti mukuridza mhere
ndimo mukurotomoka
nezvinokuurayisa. Ndouya kwauri iwe
Madzimuramoto. Nyaya idzi
unodziziva. Ramba wakashinga
sezvawakaita musi wataenda kuvaHera
kuya. Iwe handikutyiri muzukuru."
126
VaNdoringepi vakapetera dare
nemashoko aya.
Zuva rainge rachirereka zvino
rovavarira kupota nemakomo
eChirwirangwe aiva kumavirira
kwedunhu raiva nemisha yemhuri
yavaMarufu iyi. Munguva dzimwe
chetedzo Mandidenha nechikwata
chevarume vatatu vaainge asara navo
chakange chichisvika pamusha
paMandidenha apo paichengeterwa
mhangura isati yazoendeswa kunhika
kwavaipfurira midziyo yavo.
Vakatowana vamwe vavo vainge
vapoya mumaoko evarwi vaHera vaye
vatova kumisha yavo. Mandidenha

127
haana kugarisa ari pamusha pake. Aida
kutanga aziva kuti zvakapoyawo
Shuviro akange azoenda kupi. Varume
vose vakange vapoya naShuviro vakati
vaisaziva kuti Shuviro akange atizira
kupi. Izvi zvakarwadza Mandidenha
nokuti aida kudzokera naShuviro
kunyika yerukuvhute rwake. Aizivazve
kuti Shuviro aizofara kana aizonzwa
zvakazosara zvichiwiranwa padare
rakagarwa richinzi raiva rokutonga ivo
vanaMandidenha.
Usiku hwemusi wavasvika vachibva
kundochera mhangura, Mandidenha
haana kuvata dzinobata achitsvaga kuti
chinyi chaizvo chaiitika muupenyu

128
hwake. Zvamunoona pfungwa
dzinomhanya kusvika pese pese,
dzichivhendunyura zvimwe zvinhu
zvakaitika makore mazhinji kwazvo
adarika. Izvi ndizvo zvakaitwa
nepfungwa dzaMandidenha.
Dzakamhanya dzichienda kumazuva
aatanga kuroora mukadzi wake
wepakutanga asati azoroora Dudzai.
Dzakamuratidza mazuva mashanu
avakange vangogara nomukadzi wake
asati auya kuzotorwa nevabereki vake
vachiti akange akaita zvokuzvarirwa.
Izvi zvakamborwadza Mandidenha
zvokuti akamboitazve makore maviri
asati atsvaga mumwe wokuroora.
Pfungwa dzakasimukazve naye
129
ndokundomira dzava kumurangaridza
mawaniro aainge akaita Dudzai
kuzosvika pakuzogara naye.
Dzakaramba dzichimurangaridza
zvose zvaakasangana nazvo achitsvaga
pfuma yokuendesa kumusha
kwaDudzai. Pfungwa dzakazoguma
nokumuratidza musi waakaona
mudzimai wake achirezvana
naPorunobva vari mumhenderekedzo
dzerwizi Devure. Panguva iyi misodzi
yakazadza maziso ake ndokubva yati
do do do semvura yebumharutsva yopa
yambiro kune vane hari dzemhanga
pamoto.

130
Mandidenha akafungisisa nezvemusi
uyu akanzwa moyo wake uchiremerwa
nokurwadziwa kukurusa. Hongu
akange amboshandura pfungwa ava
kuda kuregerera akange amutorera
mukadzi wake, asi ndangariro dzomusi
uyu dzakamusiya ava pakati
pekusarudza zvinhu zviviri. Imwe
pfungwa yakange yamuti dunhu ravo
nemamwe ose ainge akavatenderedza
aifanira kuitawo sungano seyakaitwa
nevanhu vedunhu raHera kuitira kuti
nyaya yokuzvarira neyekuripa mhaka
nevanasikana zvimiswe matunhu ose.
Imwewo yakange yazomuputira usiku
uhwu yakange ichimutuma
kundorwisa munhu akamutorera
131
mukadzi wake. Yaitizve aifanira
kupihwa muripo wemhandara
nemombe sere pamusoro nokuda
kwokurwadziswa kwaakaitwa. Kunze
kwakazoedza Mandidenha atoronga
kuti aizosvitsa sei pfungwa iyi kuhama
dzake.
CHITSAUKO 7
Madzimuramoto naMurega vakabuda
mudunhu ravo vopaza masango
eDirinhiri aiva seri kwemakomo
eChirwirangwe. Vakayambuka rukova
rweShumba, hevo paruware
rweMakudo pfumbu. Makudo aiitawo
jwiriri ari mumiuyu yaiva panzvimbo
iyi. Zuva rakange rachiti kwati zvino
132
nemakomo aive mberi mberi kwenyika
yavo. Mabiriviri omurwizi Devure
ainge ochionekwawo akasosera mativi
ose erwizi. Madzimuramoto somunhu
aiziva nzira dzokugurisira dzokuenda
kumusha kwamambo Chinomukutu,
ndiye ainge akatungamira nzira.
Murenga aingoteverawo ari shure uku
uta hwainge hwakanzi bani kuruoko
rwerudyi. Mukutu wemuseve ndiwo
wainge wakanzi pakata kumusana.
Varume vakaramba vachifamba
ndokuzovirirwa nezuva vachangopinda
murwizi Devure. Vakambozorora
vachinwa mvura yemumafuku
avainge vachera murwizi urwu.

133
Havana kugarisa vari panzvimbo iyi,
vakabva vasimudzira nerwendo rwavo.
Vakati bangwa nenzira yaiva mujinga
megomo guru raiva kurudyi kwavo.
Zvinhavira (chinhavira iGwe-e)
zvaiitawo ruzha rwaidzoka rwoita
sezvinonzi zvaiseka varume vaviri ava.
Pakufamba kwavaiita,
Madzimuramoto akamboedza
kutaudza Murenga, asi mhinduro
dzasekuru vake dzaingova dziya
dzomunhu aisada zvokutaudzwa.
Pfungwa dzaMurenga dzaibikanallll
kuri kufunga kuti chinyi
chaizondoitika mberi kwavaienda uku.
Murenga akadzeya mashoko
aVaNdoringepi ndokuona mberi
134
kwavaienda kwakafukidzwa
nomumvuri worufu. Shasha
yakakaruka yati, "Asi nhai-we
Madzimuramoto, hatindourawi here
mberi kwatiri kuenda uku?"
Madzimuramoto akaseka zvake,
ndokuti, "Ko zvambouya seiko izvi
nhai sekuru? Asi mavhunduka
mashoko ataurwa nasekuru Ndoringepi
padare paye here?"
"Hongu ndingasavhunduka zvakadaro
sei, iko mberi kwatiri kuenda uku
kuine mapfumo anogona kuzotibaya?
Unoti ini ndini ndisingatyi kufa nhai
muzukuru?" Murenga akapindura
achitsika tsoka dzaMadzimuramoto.
135
Madzimuramoto akabva
ati,"Mungatevedzera mashoko asekuru
Ndoringepi here? Inga munoziva kuti
ndiwo matauriro avanogaroita nguva
zhinji wani. Vanenge vachingoita
izvozvi zvokutyisidzira vamwe izvi.
Handizivi kuti vanenge vachizviitirei
ini? Vakambotidaro rimwe gore
taungana pamusha pavo tichiti tiende
kundovhima huri husiku. Vakatanga
kutiudza nyaya yavaiti yakamboitika
kwavari vachiri jaya chairo. Vaiti
vakazomira zvokuvhima usiku izvi
mushure mokunge vabatisa pfumo
ravo kuchipoko icho chavaifunga kuti
ndemumwe wavo wavainge vaenda
naye kundovhima.."
136
Murenga akabva agama muzukuru
wake oti, "Zvino vaiti pfumo iroro
vakazoriwana here?"
Zvikanzi naMadzimuramoto,
"Kwaniko dzaiva ny'ambo dzega
dzega sekuru. Zvanzi ndakazowana
pfumo rangu riri kumarinda
okumupata wekwaKudyanga uya."
Varume vaviri vakabva vaputika zvavo
nokuseka. Pane iyi nguva vakange
vave pedo nemisha yavanhu. Nguva
dzakange dzaenda kwazvo. Hope
dzaingewo dzovaremera mumeso avo.
Madzimuramoto naMurenga
vakambotsvaga pokuzororera vava
kutapudza hope.

137
Utonga huchitsva, varume
vakasimudzira nerwendo rwavo.
Madzimuramoto ndiye ainge
akangotungamira nzira uku achikanda
tsoka zvokuti aida kuti zuva rizobuda
ave mumusha wamambo
Chinomukutu. Murenga
aingoteverawo ari shure achiita
seachabatira hana mumaoko nekuda
kwezvaive mumifungo yake.
Mukatikati mepfungwa dzake
aizviudza kuti Madzimuramoto ainge
amunyepera chete pane zvaigona
kundoitika mberi kwavaienda.
Pavakange vosvika mumuzinda,
Madzimuramoto akamboti tsvii

138
ndokuti, "Sekuru tasvika. Zvino
zvatasvika kudai ndinoda muzive kuti
ini ndini ndichasuma nyaya
yechifambirwa chedu kuna mambo
nekumhuri yaMandidenha. Kana
pachizodawo kuti imi mupindure
mimwe mibvunzo ndichakusumai
nemutupo wenyu. Mukanzwa ndati,
'heyo Makwiramiti, kana kuti heyo
weVhudzijena,' zvinenge zvichireva
kuti munofanira kupindura ndimi.
Asizve muzazorebesa mhinduro
sekuru tinopisira tikaswera tasungwa
mbiradzakongo munyika
yaChinomukutu muno. Mapabataka
sekuru?"

139
"Hongu, chifamba tiende. Wagara
wandinyepera kare uchiti hakuna
chinotiwana kwatiri kuenda uku zvino
choita kuti ude kutaura iwe wega
chinyi? Handiti kuziva kuti ini
ndinogona kuzorotomoka tikabaiwa
nemiseve?" Murenga akadaro achiita
somunhu ashatirwa.
Madzimuramoto akati tendeu
ndokutungamira nzira yokupinda
mumuzinda wamambo Chinomukutu.
Akarova nondo panguva yavainge
vave kupinda muruvanze. Varwi vaviri
vaChinomukutu vakabva vamhanyira
kwavaiva ndokuraira Madzimuramoto
naMurenga kuti vamire panzvimbo

140
imwe. Varwi vaye vakavabvunza kuti
vaiva vanani uye vaidei mumuzinda
mangwanani akadai. Madzimuramoto
ndiye akapindura achiti, "Isu tiri
nhume dzabva mhiri kwaDevure uko
kuvaera Soko. Tatumwa namadzibaba
edu kumhuri yomupfuri mukuru
wamambo Chinomukutu. Zvino isu
musha wemhuri iyi hatizivi kwauri,
ndiko muchiona tatsaukira mumuzinda
muno kudai. Tiri kutsvagawo
kuratidzwa nzira inotisvitsa mumusha
waMandidenha."
Mumwe wevarindi vaye akabva ati,
"Kutsvene here kwamamukira
rungwanani rwakadai?"

141
Zvikanzi naMadzimuramoto, "Nyaya
yatinayo chisvinga chisina mumwe.
Tine mutorwa akatifira mumusha
medu zvino kumusha kwacho kunonzi
kunozihwa nomupfuri wenyu
Mandidenha."
Murwi uya akabva ati, "Inga makawira
nedambudziko rakakurisa. Zvino
zvapaine shoko rerufu kudai
hamudiwo kutanga maudza mambo
nyaya iyi ivo vozokusvitsai kuna
Mandidenha?"
"Unoita soune muti mumukatwa iwe.
Ndizvo chaizvo zvandaitoda
kukumbira tisati tabva pano. Kana
zvichitobvira tinogona kutambirazve
142
dare racho mumuzinda muno, ivo
mambo vachinzwawo."
Madzimuramoto akadaro achikwenya
mhuno nekasiyanwa. Varindi vaya
vakazoti Madzimuramoto naMurenga
vagare pasi, asi Murenga aifanira
kuvapa uta nemiseve yake
ozodzorerwa zvake kana vapedza
kutaura namambo. Murenga
akambotarisa Madzimuramoto neziso
raibvunza kuti 'ndoita sei'.
Madzimuramoto akagutsirira musoro
kamwechete achibvumira kuti
Murenga ape varwi vaya zvombo
zvake.

143
Mushure mezvo, mambo
Chinomukutu akaziviswa nezvevaeni
vainge vasvika mumusha wake uye
chifambirwa chavo. Mambo vakamuka
ndokusimira mhapa dzainge
dzakagadzirwa nematehwe enyati.
Vakabuda mumba yavo ndokundogara
pasi pomuhacha wavaitambira matare
emhosva. Madzimuramoto naMurenga
vakaendeswawo padare,
ndomusvikobvunzana mufaro
nomusharukwa uyu. Madzimuramoto
ndiye aitaura mashoko okumhorosa
mambo, uyu Murenga achingobatsira
nokurova nondo. Kuzoti
zvokubvunzana mufaro zvapera
Mambo akati varume vaviri ava
144
vataure chifambirwa chavo.
Madzimuramoto akabonda maoko
ndokuti,"Pamusoroi Madyirapazhe,
muchitiona tiri pano kudai
tinotsvagawo ruoko rwemwana wenyu
Mandidenha kuti rutibatsirewo
padambudziko rakatiwira. Mumusha
wedu takatsikwawo nomutorwa
wechikadzi aiti anotsvagawo
pokupotera, isu tikamupa pokugara
zvese nezvokudya. Zvino mukadzi uyu
akafuma akazvisungirira nezuro
mangwanani chaiwo. Kutaura kudai
mutumbi wake uchiri mumusasa
watainge tamuvakira kuti agare."

145
"Zvino Mandidenha anopinda papi
pakufa kwomukadzi uyu? Madini
mangoti n'anga dziteme rukarwa
rweguva rake awane kuzorora mukadzi
uyu." Mambo vakabvunza
vachiganhurira Madzimuramoto
panzira.
Madzimuramoto akapindura achiti,
"Izvozvo takambozvifungawo asizve
imi vakuru munoti benzi bvunza
rakanaka. Tingati mutorwa atare
rukarwa rwomushakabvu ipo paine
anoziva kumusha kwake here nhai
mambo? Kana tikadaro handiti
kuzvigokera ngozi inozotinetsa
mangwana? Mushakabvu aigarotaura

146
kuti mhizha yenyu Mandidenha
anoziva kumusha kwake ndiko maona
tichisvika pano rungwanani rwakadai."
Akaperekedza mashoko ake nenondo
dzainzwikwa dzichiti bu bu bu.
"Ipapo magonesa varume. Izvo
hazviitiwo kuti munhu avigwe
nevatorwa idzo hama dzake dziripo.
Kana kutaura kwako iwe kuri
kwechokwadi kwokuti Mandidenha
anoziva kumusha kwomukadzi
wokufira mumusha menyu uyu,
chimirirai nditume nhumr indouya
naMandidenha pamwe nemadzikoma
ake kuitira kuti tibatsirane panyaya
iyi." Mambo Chinomukutu vakadaro

147
ndokutuma nhume kumusha
waMandidenha.
Nhume yakaenda ichimhanya
ndokundowana pamusha
paMandidenha pangori nevanasikana
vake vaviri chete. Vana
VaMandidenha vakaudza nhume iya
kuti baba vavo vakange vamukira
kumusha wasekuru vavo,
VaMuchairipa. Nhume yakabva
pamusha paya yotevera kwainge
kwaenda Mandidenha. Ichindosvika
pamusha waVaMuchairipa, yakawana
Mandidenha namadzikoma ake vari
pamusha apa. Zisorembwa ndiye ainge
achisvikawo achibva nenzira yaiva

148
kuchamhembe kwemusha uyu. Nhume
yakambofunga kuti mhuri
yaVaMuchairipa yainge yave kuziva
nezvevaeni vaiva kumuzinda
kwamambo, izvo kwani? Vaitova
murima zvavo. Nyaya yavainge
vatounganira apa yaiva nyaya
yaMandidenha uyo ainge auya
nepfungwa yokuti vasimuke vaende
kundotsvaga mudzimai wake kuvaera
Soko vemhiri kwaDevure. Nhume
yakazopira VaMuchairipa mashoko
ayainge yakapfumbata
ndokudungamidza vose vonanga
kumuzinda wamambo.

149
Vachinosvika kumuzinda vakawana
varume vaviri vakagara padare
namambo Chinomukutu.
VaMuchairipa ndivo vakatungamirira
mhuri yavo vomutsa mambo.
Vapedzazvo Mambo Chinomukutu
vakabva vasumawo nyaya yainge
yauya nanaMadzimuramoto
mumuzinda mavo. Mandidenha
achinzwa mashoko avarume vaye
akabva ati, "Musanzwa zvenyu mambo
wangu. Mashoko evarume aya
ndeemanyepo chete chete. Mukadzi
wavanotaura ndiye mukaranga wangu
uya wokuvaera Nyati uya. Handiti
ndivo vakatiza naye vachienda mhiri
kwaDevure uko? Ndinonyepa here
150
varume imi?" Zvaaitaura kudaizvi
meso ake ainge achitsvuka kuti piriviri
nokushatirwa.
Madzimuramoto naMurenga
vakambotarisana, Madzimuramoto
ndokuzoti, "Isu handingati zvokutiza
kwakaita mukadzi wako nomumwe
murume ndezvemanyepo, asi kuti
shoko ratinaro pano nderekuti wauri
kuti mukadzi wako iyeye akasvika
mumusha medu achitsvaga pokugara
zvose nezvokudya. Aitaurawo achiti
murume wake akamudzinga pamusha
nokuda kwokuti akange awanikidzwa
aine chikomba..."

151
"Chero zvinyari izvo zvaakauudzai
izvozvo, makabva maona
zvakakodzera here kugara nomunhu
akadaro mumusha menyu? Makadini
kumuti aende kumusha kwake kana
akange ati ainge asingachadiwi
kumurume kwake? Hamusi kuona kuti
murikuedza kuhwanda nemunwe here
varume imi?" Madyira, mukoma
waMandidenha akadaro ashatirwawo.
Pose paitaurwa mashoko aya Murenga
aiti akati ndee kumhuri
yaVaMuchairipa obvisa meso ake
achimaisa kuchinzira chaainge
asarudza kuzotiza nacho kana
vachinge voda kurohwa.

152
Madzimuramotowo ndiye aingoramba
akamira nemashoko ake emanomano.
Akapindura kutaura kwaMadyira
achiti, "Varume isu pano hatina kuuya
kuzoti mutitonge kana kutsvaga hondo
nemi. Tiri pano kuti tibatsirane nemi
pachiri pedo pane kuti munozotivinga
kumusha kwedu uko kana ngozi
yomukadzi uyu yokushupai. Zvino
kana mukazouya muchitsvaga
ruyamuro imi makamboramba kudai
munoti pane patinozobvumawo here?
Handiti tinongoti pedzeranai neguva
romukadzi wenyu riri koko iro? Zvino
zvinozoitawo here izvozvo munyika
mune vanhu vakawanda kudai?

153
Mungasati tinoroya masikati
machena?"
Mashoko aMadzimuramoto akaita kuti
mhuri yaVaMuchairipa ipererwe
namashoko. Varume vose
vakangotarisana pasina kana anotaura
nomumwe. Padare pakabva pati ziro
sepaisava nevanhu. Murenga
aingozhinya nechemumoyo make
achifara kuti Madzimuramoto ainge
ashandisa unyanzvi pakutaura kwake.
Runyararo rwainge rwava padare apa
rwakazogurwa naMambo
Chinomukutu avo vainge vataura.
"Iwe Marufu nemhuri yako taurai
tinzwe kuti munoti kudini namashoko
154
avarume ava? Tarirai nhasi rava zuva
repiri chitunha chingori mumba
zvinozoitawo here kuti munhu aite
mazuva matatu asati avigwa. Ini
ndaifunga kuti sezvo mushakabvu uyu
aiva mukadzi wako iwe Mandidenha,
unofanira kubatana nevarume ava kuti
undoonawo panzvimbo pachavigwa
mumwe wako uyu. Hongu vanhu
tinotadza, asizve tingacharamba
takachengeta bundu reshungu
pamunhu aenda nyikadzimu here?
Ngatichiitai zvokuti varume vari pano
ava varerukirwewo nebasa ravanoda
kundoita mberi uko." Mambo
Chinomukutu vakadaro vakagara
pazichigaro ravo rainge rakakwirira
155
kudarika zvimwe zvigaro zvose zvaiva
padare apa.
VaMuchairipa vakawiriranawo
namambo vachiti, "Tinotenda
Madyirapazhe nemashoko echenjedzo.
Maita Chidonhamukaka mhuru inobva
gona. Ndimizve munoti kungwara
kukosha nhoyi. Nyaya iyoyi
tikairegerera ipapa inodzoka yotinetsa
mangwana. Neniwo ndichatosimuka
naiye Mandidenha uyu nomuzukuru
Zisorembwa kuti tindobatsirana
nevarume ava. Iyo yokuchandoreva
tsvingudzi ngaichifa zvayo nokuti
tingacharwira ani iyo tsvingu yacho
yatsamhira churu?"

156
Zvikanzi naMambo, "Ndizvo zvaizvo
mwana womukoma wangu. Isu hatidi
kuti ngozi yomukadzi uyu izopedza
dzinza redu mangwana. Ndinoda kuti
kana madzoka ikoko kuvaera Soko
uko, mobva maronga rwendo
rwekuenda kuvaera Nyati mondoreva
dambudziko rakatiwira iri. Pakubira
mhiri kwaDevure uko chibva wabatana
nomukoma wako Godzamuto. Rega
ndibve ndatumira nhume inomudana
iye zvino." Mambo vakadaro
vachirevera nevanji wavo.
VaGodzamuto ndivo vaizoenda vari
mukuru wemhuri yaVaMuchairipa.
Mushure mezvi dare rakapararira,
VaMuchairipa, Mandidenha,
157
naZisorembwa ndokumbodzokera
kumisha yavo vachindogadzirira
rwendo rokuenda kuvaera Soko urwu.
VaGodzamuto vakaziviswawo
nezvenyaya iyi ndokuchizobatana
nevamwe vavo vobira mhiri
kwaDevure kwaiva nomutumbi
waDudzai.
CHITSAUKO 8
"Varume mutumbi washata mumba
umo. Kuti tichamirira vakaenda
kwaChinomukutu handioni zvichibuda
ini. Zvandaona mumba umo hazvina
kumira zvakanaka. Tikati tipedzezve
zuva ranhasi mutumbi womushakabvu
uri mumba umo, mangwana chaiye
158
panenge pasingachazogariki pano."
VaChirochimwe vakadaro vakabata
muchiunu chavo. Izvozvi vainge
vabuda muimba yaiva nemutumbi
waDudzai umo mavainge vapinda
naMambo Jena pamwe naVaMarufu.
Shoko redzatiputsa rakange
razosvitswawo kumuzinda
waMambo ,nokudaro mambo vainge
vauya kuzobata maoko uye
kuzonzwawo hurongwa hwevana
vemadzikoma ake.
"Iwe Chirochimwe ndiwe baba vatori
pano. Isu ngatichiitai zvokuti
tichengete mukadzi uyu. Zvimwe
zvirango zvose zvinotevera tozozviona

159
tambochengeta mutumbi
womushakabvu ari mumba umu.
Mambo Jena vakadaro vagara pasi
zvino. Murume uyu ainge achembera,
asi nyama dzomuviri wake dzainge
dzichine ropa raimhanya nomuviri
wose. Imvi dzainge dzachena
mumusoro kuti mbu-u. Mambo Jena
aiva murume ane muviri mukobvu,
arizve murume mutema tema. Iyeyu
musharukwa ndiye aiva mambo
wenyika yevaera Soko mumazuva
iwayo.
VaChirochimwe vakapindura kutaura
kwaMambo Jena vachiti, "Ini ndiko
kufungawo kwangu ikoku

160
Makwiramiti. Tinogona kuti
Manhongangozi zvaari pano kudai
ochitotitungamirira pakutara rukarwa
rwomukadzi uyu? Hameno iwe
Marufu nemi vakomana kuti munoti
kudiniwo nenyaya iyi."
VaMarufu vakati, "Izvi zvine
achapikisa here Chibwechitedza?
Ngatichitozviitai zuva risati radzokera
kuna mai varo nokuti tikazvinonokera
mutumbi uri mumba umo unozotiitira
zvimwe pano."
"Ichocho chiratidzo chikuru chokuti
mukadzi uyu akafa aine shungu zhinji
kwazvo. Hameno kuti ipo pamukova
wemusasa wake achapakwana here?
161
Tichatoita zvokuputsa imbayo kuti
tiwane kumubudisa mumba."
VaNdoringepi vakabata VaMarufu
nemashoko aya. Munguva dzaitaura
varume ava, mutumbi waDudzai
wainge uchingori mumba yake uku
akachangorembera pachiruvi chemba.
Mutumbi womushakabvu wainge
wachifuta wava nemutumba
sowemombe. Izvi ndizvo zvainge
zvatuma Mambo Jena kuti vati
mutumbi waDudzai waifanira
kuchengetwa musi uyu.
Kwaiva naMadzimuramoto, Murenga
nechikwata chaVaGodzamuto
kwaivawo nezvakwowo. Mandidenha

162
aingochema nomudumbu mairuma
zvose nokumunhanyisa. Ainge ongoti
padoko padoko ombotsaukira musango
achindozvibatsira. Aiti akatsaukira
musango saizvozvo aibva amboti nya-
a ariko ozodzoka zvake pava paye.
Vamwe vaaiva naye parwendo urwu
vakambobatwa nefungwa yokuti
Mandidenha aivabata kumeso asi vose
vakazotenda kuti Mandidenha akange
abatwa nedenda zvechokwadi mushure
mokunge Mandidenha arovera
musango maainge atsaukira.
VaGodzamuto naMadzimuramoto
ndivo vakazotoita zvokutevera
ndokundowana murume akati kwaba
nomudumbu. Chiso chainge chakati
163
ndonya mumahuswa aiva panzvimbo
iyi. VaGodzamuto naMadzimuramoto
vakabatirana Mandidenha voenda naye
kunzira kwavainge vasiya vamwe
vavo. Simba rakange rava shoma
mumuviri waMandidenha.
VaMuchairipa semunhu aiziva
mushonga vakapinda musango
ndokudzoka vakabata chifumuro
chavainge vataka taka ndokuuya
vosvinira muto wacho mumukanwa
momwanakomana wavo. Mandidenha
akati gadya gadya kaviri muto
wechifumuro chiya ndiye kubu ovata.
VaMuchairipa vakaraira vamwe vavo
kuti vambogara kwechinguva
vakamirira kuti mushonga wavainge
164
vapa murwere wavo utange kushanda.
VaMandidenha vangu vakabva
vabatwa zvavo nehope vakazvambara
kudaro. Akazoti pati mushure
mechinhambwe chakati kuti
ndokumuka ogara pasi. Simba rainge
rachidzoka mumuviri wake zvino.
"Varume simukai tiende tarisai zuva
rarereka iri." Mandidenha akadaro
akagara zvake.
"Unogoti simukai tiende sei, iwe
wakagara pasi?" VaGodzamuto
vakabvunza vachiseka zvavo.
Mandidenha haana kupindura asi
akangoti nyamu chinyararire
ndokupinda munzira ndiye denge
165
nenzira. Vamwe vose vakasimukawo
ndokumutevera vopaza sango
raizondonyangarikira murwizi Devure.
Pamusha paPorunobva, matare haana
kumira. Mambo nevemhuri
yaVaMarufu vakagarazve dare votaura
naManhongangozi, n'anga
yaizivikanwa nomukurumbira
wokushopera zvose nokurapa.
Mukutsanangura zvaidiwa pakuvigwa
kwomutumbi waDudzai,
Manhongangozi akati, "Ko pane
zvizhinji zvinodiwa here pakuviga
mutorwa? Iwe Jena unozviziva
zvirango zveparufu rwakaita sorwuno.
Handiti panoda mbudzi nhema

166
inourawa nejaya risati raziva mukadzi.
Izvi kana zvavapo ndiudzei titangise
basa." Godobori akadaro,
ndokupedzisira nokufemba bute rainge
rasarira muchanza chake.
VaMarufu vakati, "Kana zviri
zvembudzi nhema munenge mototora
muchirugwi changu ini. Ndikanyada
kuti iye Porunobva uyu atipe chero
huku zvayo munoti anoiwanei iye
atoriwo huku zvayo paakati mha-a
ipapa." Varume vose kusiya
kwaPorunobva vakambokanganwa
kuti vaiva pamariro ndokubva vati
bvuu kuseka. Naivo VaMarufu
vakatosekawo mwanakomana wavo

167
uyu. Vakazoenderera mberi vachiti,
"Chichatinetsa kuwana ijaya rawareva
iri Manhongangozi. Vana
vemazuvaano vasiyana nesu pamazuva
atakakura. Hameno kuti vachazvara
makore emberi vachange vakamirawo
sei? Potse potse kuchatozvarwa vana
vane ndebvu dzachena sedzangu idzi.
Rega tibatsirane nevakomana vari
pano ava kuti titsvage anogona
kutibatira basa rawareva iri."
"Mozivazve kuti jaya richabata basa
irori rinoripwa neinotsika."
Manhongangozi akadaro ndokuchizoti
hotsi hotsi achibudisa rudzihwa
rwainge rwakati ndoo.

168
"Zvose tinoripa sekuru. Tingachadini
isu tine mwana akachera nyoka
nomuromo? Regai tinzwe majaya
atinofunga kuti angatibatsira kana
vachizvigina." VaNdoringepi vakadaro
ndokusumuka vobatana naVaMarufu
votaura nevabereki vemajaya aiva
mudunhu ravo. Vabereki vazhinji
vedunh ravo vaingohwanda nerokuti
vanakomana vavo vakange vasisiri
majaya asati aziva mukadzi. Izvi
zvakasiya VaNdoringepi nomunin'ina
wavo vasisina kana nezano rokuita.
VaNdoringepi ndivo vakazofunga
zano rokuti vandotora imwe
tsvimborume yaigara mubako raiva
mujinga megomo reChirwirangwe.
169
Tsvimborume iyi yaizikanwa nezita
rokuti, Chegomo sezvo yaingogara
mugomo isingadzike pasi.
Vashomazve vaiziva chiso
chaChegomo sezvo vazhinji vaitya
kusvika pedo naye. Chegomo aisava
nehama dzaizihwa nevanhu
vemunyika yavaera Soko iyi. Izvozvi
zvokuti hama dzaChegomo
dzaisazihwa zvakamboita kuti
VaMarufu varambirane nepfungwa
yomukoma wavo yokuti Chegomo
azovaurayira mbudzi yainge yataurwa
naManhongangozi iye.
VaNdoringepi vakashatirwa
nokuramba kwainge kwaita munin'ina

170
wavo ndokuti, "Zvino iwe ukaramba
zano randafunga pano unoti ndekupi
kumwe kwatichawana jaya risati
raziva mukadzi? Handiti waona kuti
hapana abvuma nemwana wake kuti
atibatire basa rarehwa iri? Zvino iwe
chindiudza kuti tichaita sei? Kana iwe
wati zvaChegomo hazviiti ini ndava
kundogara navamwe kuchivara uko
ndichimirirawo kuuya kwako nejaya
rarehwa iri."
VaMarufu vakamboita kanguva vasati
vapindura mukoma wavo ndokuzoti,
"Asi munoona zvichibuda here
Makwiramiti? Hatisi kugokazve imwe
ngozi mumusha medu here? Iye

171
Chegomo wamareva uyu
makambonyatsomucherekedza here?
Ini ndakaona sokuti ane njere
dzakakanganisika ini. Hazvidaro
itoriwo ngozi inoita kuti ade kugara
musango ari ega?"
"Izvo chiregai kuzvitsvaga
babamudiki. Isu chatava kuda
ndechekuti basa ribatwe nhasi chaiye
kwete mangwana. Kana mawirirana
nokuti tiende kubako raChegomo
ngatichitoenda iye zvino, asi kana mati
hamuwirirani nazvo ini ndinenge
ndava kutodzokera zvangu kumba
kune vamwe uko." VaNdoringepi
vakadaro vakamira nomunin'ina wavo.

172
Zvikanzi naVaMarufu, "Tungamirai
tiende Makwiramiti." VaNdoringepi
vakati ngori munzira yokuenda
kugomo reChirwirangwe, ndiye denge
nayo. VaMarufu vaingova shure
vachitevera mukoma wavo.
Vachindosvika kubako raigara
Chegomo, vakamuwana akagara panze
pebako achitaura nomusikana
wakatadza kuzihwa navarume vaviri
ava. Musikana uyu ainge akagara
zvake pamusoro pedombo raiva
pabako iri uku achiti akaruma nyama
yechimukuyu yaainge akabata oiti
mwakamwaka nemeno ake,
ozopedzisira nokuiti gudyu ichidzika
mudumbu.
173
Zvavakasvika pabako iri,
VaNdoringepi ndivo vakakwazisa
Chegomo nemusikana uya
ndokuzogara pasi. Pfungwa dzavo
dzakambopishana pavakawana
Chegomo agagara nemusikana aiva
norunako rwaikunda rwemhandara
zhinji dzaiva mudunhu ravo. Murume
mukuru akazvibvunza mupfungwa
dzake oti, "Asi vanhu vainyepa vachiti
Chegomo itsvimborume isina
mukadzi? Zvino kana aisava manyepo
uyu musikana ndianizve? Vane ukama
hupiko vaviri ava. Kuti mukunda
waChegomo? Asi sei vanhu vasina
kumbobvira vakatara nezvemusikana
uyu? Ndinofunga kuti vaisamuona ini.
174
Anenge aingogara ari mubako umo
chete. Asiwo kana ariye mukadzi
wake anenge akapfimbirwa
nanimhandara yakanaka ikadai?
Naiyowo mhandara yacho ingabvuma
kuroorwa nomunhu akauta saChegomo
uyu? Asi ane njere dzakadambukawo
saChegomo wacho? Hameno. Regai
ndireve zvandafambira. Kana akaroora
tingachidini. Anotongondouraya iye
handiti nyika yose inoziva Chegomo
ari tsvimborume?" VaNdoringepi
vakazoti bu bu bu ndokukumbira
kutaura naChegomo vari kure nenzeve
dzomusikana uya.

175
Vakati, "Uchiona tiri pamusasa wako
kudai Chegomo kuziva kuti mbudzi
kuzvarira pavanhu hunzi nditandirwe
imbwa. Shure kwatabva uko hakuna
kutimirira zvakanaka. Tinokumbirawo
ruoko rwako rwutichekerewo mbudzi
iri pamusha pedu."
Zvikanzi naChegomo, "Munoreva kuti
mashaya anogona kuvhiya mbudzi
here vasharukwa imi? Kana zviri
zvokuvhiya mbudzi chete regai nditore
bakatwa rangu tiende. Asiwo
munozondipa bandauko nedehwe
rembudzi yachozve. Hamuoni kuti
mhapa dzangu dzakwindimara
somwana arohwa namai. Naimo

176
mumuromo mangu munzwa
nokupwapwanya mbeva netsindi zuva
nezuva" Akati tendeu ndiye hoyo
mubako ngori. Akasvikuti bakatwa
rake biku ndokudzoka achirirodzara
pachivere chaiva muruoko rwake.
Akati, "Tungamirai tiende."
Zvikanzi naVaNdoringepi, "Ko, uyu
musikana ari kusara pano ega here?"
Izvozvi VaNdoringepi vaida kuziva
ukama hwaiva pakati paChegomo
nomusikana uya.
Chegomo akapindura achiti, "Zvino
munoda kuendepiko naye kwavira
kudai? Atosvikawo zvinozvino achiti
anonzi Shuviro. Hameno mhiri
177
kwaanoti anobva uko. handiti ange
achitochema nzara paasvika pano?
Ndazotomugurirawo chitsindi
chandainge ndakasasika mubako umo.
Hamuoniwo kuti ndinogona
kutoroorawo ipapa sekuru?"
Akapedzisira nokuseka, masiriri
ndokuti sinasina achidzika nechepfuva
chake.
"Zvino ukamusiya ega pano unowana
atorwa nevamwezve muzukuru."
Vakadaro VaMarufu votanga kufamba
vachidzokera kumusha kwaPorunobva.
Chegomo haana kupindura
akangotevera ari shure uku
achingorodza bakatwa rake.

178
Shuvirowo akabva ati simu
ndokutevera shure kwevarume vaye
zvishoma nezvishoma.
Nhahwamaringa dzake dzainge
dzobudisa gwema rainzwikwa kuti
kapa richisiya ravharira mhuno dzose.
Mvura yainge ichaziwepi nomukunda
wejinda rehondo yaHera uyu. Mhotsi
dzaisigara dziri mumusoro wake
dzainge dzangova dzoutaurirwa chete
dzikava mbare dzokugotsi. Chainge
changosara chete runako rwaionekwa
pameso pemhandara iyi. Asi nairwowo
runako rwacho rwainge rwava
rwevaya vasina kukura naye, kune
vakakura naye kumuona vaiti
chinobhuruka chinomhara.
179
CHITSAUKO 9
“Amai vangu Kabiriviri,
rudo haruna mugoni Kabiriviri.
Hameno zvavo vanoti vanozvigona
Kabiriviri,
Hevo vakatora mukadzi wevamwe
Kabiriviri.
Nhasi voti Chegomo titandire ngozi
Kabiriviri.
Ko, yangu ngozi ndichatandirwa
naniko Kabiriviri?
Muripo wangu chinyiko pano nhaiwe
Kabiriviri?
Mbudzi handidi Kabiriviri.
Mombe haikwani Kabiriviri.
180
Ndinoda kutandirwawo yangu ngozi
Kabiriviri.
Ndinodawo kuroorawo sevamwe
Kabiriviri." Aka kaiva kambo
kaiimbwa naChegomo panguva
yaaicheka mbudzi nhema yaainge
asvikoratidzwa naVaMarufu.
VaMarufu neveimba yavo vakashaya
nezvaireva mamwe mashoko aiva
mukambo aka. Vakazovhunduka
panguva yavakanzwa Chegomo achiti,
'ndinodawo kutandirwawo yangu
ngozi Kabiriviri.' Mashoko aya akaita
kuti VaMarufu vade kuziva zvairehwa
naChegomo mukambo kake.
VaMarufu vakati, "Ko ingozi

181
rudzwaiko yaunoda kutandirwa nhai
muzukuru?"
Zvikanzi naChegomo, "Sekuru mai
havatukwi, mai havarohwi. Zvino ini
ndakavarova neseri kweruoko. Mai
ndakavasvipira mate kumeso.
Pamusoro pezvo ndakarara navo
nzokuvapa pamuviri.."
"Baba vangu Vhudzijena iwe-e. Ko
zvainge zvambouya seiko muzukuru?
Zvino unoritandirwa naniko botso
rerudzi urwu?" Ava vaiva
VaNdoringepi vainge vabvunzawo.
Chegomo akapindura achiti, "Ndiwo
uchavawo muripo wamuchandipa
pabasa randiri kuita iri sekuru. Handiti
182
ndimi mune shumo inoti, 'kandiro enda
kandiro dzoka?' Zvino imi hamuchadi
kunditandirawo botso sei ini
ndakutandirai ngozi yenyu?"
Mubvunzo waChegomo hauna
akapindura. VaMarufu ndivo vakazoti,
"Nyaya yauri kutaura iyi muzukuru
inoda tisiri panzvimbo yakaita seino.
Mira titange tapedza basa ratinaro
pano iri tozogara dare renyaya yako
iyi."
Chegomo akati, "Totenda yabikwa
imba yepwere sekuru. Potse potse
nechemumoyo menyu muri kutoti,
'rombe pakata hana mukaka
ndowaridzi.' Zvino kana zvirizvo

183
kubva tichaona kuchawira tsvimbo
nedohwe." Apedza kutaura akati
tendeu otora nzira yokuenda kubako
kwake.
VaMarufu nemhuri yavo vakangoti
kanha nokutaura uku. Manhongangozi
ndiye akazoti zvainge zvakumbirwa
naChegomo zvaifanira kutevedzerwa
nokuti kana mhuri yaVaMarufu
yaizotadza kumubatsira Chegoma,
vaizodzokerwa nengozi yaDudzai
mumusha mavo. Mushure mezvo
Manhongangozi akatora ropa
nemusoro wembudzi yainge yachekwa
naChegomo iya ndokutungamirira
vanhu voenda kusango

184
kwaizondochengetwa mutumbi
waDudzai. Panguva idzi chitunha
chomushakabvu chakange
chazobviswa mumba machaiva
choendwa nacho kusango
kwachaizondovigwa. Shuviro aivawo
pakati pevanhu vaienda kusango ava
pasina kana nomumwe waainge aziva.
Kudzokera kubako kwakange
kwazoita Chegomo ainge asina
kuzokuona. Pfungwa dzake dzakange
dzamuti aizosara pamusha paiva
nemariro apa otsvaga kupotera.
Vasvika kusango kwaizoradzikwa
Dudzai, Manhongangozi akatanga
nokumwaya ropa rembudzi iya

185
panzvimbo yaizocherwa guva
romushakabvu. Mushure mezvi
akatema rukurwa, varume vaivapo
ndokutangisa basa rokuchera guva.
Varume vaiita samajuru vachiti vamwe
vanochera gomba vamwe vachibudisa
ivhu mugomo muya. Kuzoti gomba
radzika varume vaichera vakachifenga
kurutivi rwerudyi vachigadzirira
paizoiswa chitunha chaDudzai. Izvi
hazvina kutora nguva yakareba guva
rakange rapera kugadzirwa.
Manhongangozi akatora musoro
wembudzi yainge yaurawa
naChegomo iya ndokupinda nawo
muguva. Akatorazve nhekwe yake
ndokumwaya bute pamusoro
186
wembudzi iye. Izvi zvapera
Manhongangozi akazobatsirana
nechikwata chevarume vaiva pamariro
aya vopinda nechitunha chaDudzai
muguva. Chitunha chomushakabvu
chakaiswa muhweda yainge yafengwa
nevacheri iya. Mushure mezvo,
Manhongangozi akamwaya midzi
nemashizha zvainge zvakaita
zvokukuyiwa. Apedza akabuda
muguva ndokuchiraira varume vaivepo
kuti vachivhara hweda iya nematombo
pamwechete nemapango omukamba.
Varume vakaita chirikiriki vachivhara
hweda iya. Vakachizopedzisira
nokudzorera ivhu ravainge vabudisa
mugomba reguva ramushakabvu. Ivhu
187
richipedza kudzorerwa muguva, vanhu
vakasimuka vodzokera kumusha
kwaPorunobva. Vamwewo ndivo
vainge vonanga kumisha yavo sezvo
basa rakange rapera. Shuviro
akadzokerawo kumusha
kwaPorunobva ondobatsirana
nemamwe madzimai kuenda kutsime
nokutsvaga huni.
Usiku hwezuva rachengetwa chitunha
chaDudzai, Porunobva haana kuvata
dzinobata. Pfungwa dzake dzaipishana
kuri kutsvaga nezvemhandara yaainge
aona pamusha pake. Mhandara iyi
yaiva mweni mumeso ake. Akaedza
kurangarira kana paine pamwe paainge

188
akambosangana nayo, asi haana
kupawana. Murume uyu akafunga
zvakadzama ndokuzviudza kuti
Dudzai aifanira kutsihwa nemhandara
iyi chete. Akazviudzazve kuti aifanira
kuziva kuti mhandara yaainge aona iyi
yaizondogara kupi kana yobva
pamusha pake. Izvi aiziva kuti
zvaitoitika muzuva remangwana sezvo
paripo paizobva vashoma vakange
vasara pamusha pake vodzokera
kumisha yavo. Porunobva
akazobviswa mumifungo yose iyi
nokuda kwaMadzimuramoto akange
asvika nechikwata chekuvarume
vaDudzai vepakutanga.

189
VaNdoringepi somunhu mukuru
akange asara pamusha apa vakati
VaGodzamuto nechikwata chavo
vapuhwe pokuvata. Nyaya yavainge
vadaidzirwa kubva kunyika yavo
yaizogarwa rava rechimangwana racho
kunze kwakachena. Panguva idzodzi
Porunobva akatorana nomuzukuru
wake Madzimuramoto omubvunza
mafambiro avainge vaita parwendo
rwavo. Madzimuramoto
akatsanangurira sekuru vake zvose
zvavainge vakandowana murwendo
rwokuvaera Gumbo urwu. Haana kana
chimwe chaakavanzira sekuru vake.
Mukupendera tsananguro yake
Madzimuramoto akati, "Sekuru
190
motosimba hana. Apa hapachadi kuita
sembwende inosimbirira kutete
ichisiya kukobvu. Nyaya
yatakaunganira tose pano ndimi
makatanga nayo saka imi hamufaniri
kuchatya chiveza nokuti chidembo
makatovhiya kare."
"Nyaya yaunotaura ndinoinzwa
muzukuru. Mubvunzo wangu unoti,
ko, murume waDudzai akazoziva kuti
ndini ndainge ndakatora mukadzi wake
zvinozoguma sei chaizvo? Hauoni
ndichibaiwa nemapfumo ipapa
muzukuru?" Porunobva akabvunza
Madzimuramoto. Panguva iyoyi
varume vaviri ava vainge vakamira

191
mhumhindo vari nechekunze
kwemusha waPorunobva.
Madzimuramoto akati, "Hongu kufa
kuriko sekuru, asi imi hamufaniri
kuchatya kufa nokuti ndimi
nyakuyanika ura pachitsiga. Isu
ngatichiendai tindozorora kuitira kuti
tizotamba nyaya iyi zvakanaka pasina
anozochema nemarembwa ehope."
"Izvo ndizvo hazvo muzukuru, asi
kumagumo kune nyaya uko."
Porunobva akadaro achitevera shure
kwaMadzimuramoto.
Madzimuramoto akaseka zvake
ndokuti, "Ko maibatireiko matope imi
muchiziva kuti makavakira kure
192
norwizi nhai sekuru? Pamaitiza
nomukadzi womunhu maisaona here
kuti kumagumo kune nyaya uku?
Ndiwoka magumo azvo aya. Ipapa
potse potse atori mavambo ezvimwe
zvichatinetsazve mberi uko. Regai
tigoona zviri mukubuda kwaro zuva."
Porunobva haana zvaakazopindura.
Aingofamba achitevera muzukuru
wake uyo ainge ongotsvinyira
nokushoora sekuru vake nokuda
kwokuita kwavo uko kwainge
kwazopinza mhuri yose
mumatambudziko. Vakazosvika
painge pakarara vamwe varume
ndokupinda mumataunha aivapo
vorovera matama pasi.
193
Kunze kuchiedza mhuri yaVaMarufu
yakaenda padare ichitungamirirwa
naVaNdoringepi. VaGodzamuto ndivo
vaitungamirirawo mhuri yavo yaiiti
ivo VaGodzamuto, VaMuchairipa,
Zisorembwa naMandidenha.
VaChirochimwe vaivawo padare iri
vachibatsiranawo nevana vedzinza
ravo pakusuma nyaya iyi kumhuri
yevaera Gumbo iyi. Zvose zvaitaurwa
nasadunhu uyu vainge vakaita
zvokuudzwa nemuromo pasina kana
shoko rechokwadi ravaiziva.
Madzimuramoto ndiye akatanga
nokuzivisa dare vaenzi vaainge akauya
navo kubva mhiri kwaDevure.
Mushure mokusuma vaenzi
194
Madzimuramoto akachiti, "Pamusoroi
madzisekuru angu, vaera Soko nemi
vaeni vedu vari padare rio. Pamusoroi
vanaMadyirapazhe, vana
vaChinomukutu." Akamboti zii
seanofunga zvokutaura
ndokuzoenderera mberi oti, "Muchiona
tiri pano kudai, tine urombo
kukuzivisai kuti mushakabvu akaita
kuti tizova nerwendo rwokuuya
kuzokutorai akavigwa nezuro
kumazuva rovira. Madzisekuru angu
ari papa aya anditaudza achiti
mutumbi womushakabvu wainge
waipa zvokuti kumuradzazve mumba
zvakange zvisingachabviri. Zvino
vanasekuru vange vati tisimuke pano
195
tiende kuguva romushakabvu kuti
mundoona paakavata." Apedza akati
bu bu bu achibatsirwa namadzisekuru
ake.
VaGodzamuto vakati koso koso ruviri
runenge rutatu ndokuti "Ini handioni
kuenda kuguva romushakabvu kune
chakuchabatsira padare ratakaunganira
tose pano iri. Tinogoenda kuguva
takamira sananiko isu tisina kubvira
taona chiso chemushakabvu. Ko kana
asiriye aiva muroora wedu tichaziva
sei?"
"Ipapo ndipo pototinetsawo nesuwo.
Isu chatasara takabata patiri pano
ndiwo mashoko anonzi akasiya
196
ataurwa nomushakabvu okuti ainge
akaroorwa nomupfuri wemapfumo
amambo wenyu, Chinomukutu uyu...."
Sadunhu, VaChirochimwe vakadaro
vasati vanzi gwishu panzira
naVaMarufu vainge vataura.
"Zvino isu tingachazivawo sei kuti
mushakabvu akasiya ataura mashoko
akadaro? Ini ndinoona sokuti ipo
pakati penyu apa ndipo pane nyasire
yakatiza nomuroora wedu chete.
Hamuoniwo sokudaro varume?"
Mandidenha akabvawo abata baba
vake muromo achiti, "Ipapo maribaya
nemumukanwa Madyira. Uyo murume
akati tsiki tsiki apo uyo ndiye akatiza
197
nomukaranga wangu chete. Vanga
dema riri muhuro make iro ndakariona
musi wandakavawanikidza vari
mumhenderekedzo dzerwizi Devure.
Simudza musoro ndikuone iwe."
Porunobva paakanzwa Mandidenha
achitaura mashoko aya akanzwa
muviri wake uchipindwa nechando
ndokusiya rupundu rwati sarara
nomuviri wese. Akangoramba akati
tsiki tsiki achifunga zano rokuita.
Zisorembwa akabvawo ati, "Varume
ava vatiita mbwende chaidzo.
Hamuoni kuti Madzimuramoto
akatibata kumeso nemashoko ake?"
Akatendeukira kuna Madzimuramoto
ndokuti, "Sei usina matyira iwe?
198
Wakaiwanepi ushingi wokupinda
mumuzinda wakapfumbata mashoko
akaora kudaro nhai Madzimuramoto?
Mashoko okutikwezva kuti tiuye
kuzosangana nomunhu akatirozva
ndiwo awatifambisira kusvika kuno
here? Mune chokwadi here varume
imi? Dudzai aripi? Dudzai ndinoda
kumugara nhaka ini. Ndiratidzei kuna
Dudzai kani! Ndoda Dudzai pano!"
Zisorembwa akakwamatata
achisimudza pfumo rake rainge rakati
zvambarara pasi. Porunobva paakaona
pfumo rasimudza akabva angoti
kwarakwashu ndiye hoyo pote nehozi
yaive kugotsi kwake. Chikomba
chakati tsoka ndibereke chakananga
199
kumakomo eChirwirangwe.
Akazotanga kufamba ave kure kwazvo
nemusha wake. Panguva idzi akabva
asangana naChegomo uyo aifamba
achienda kumusha kwaiye Porunobva.
Chegomo paakaona Porunobva akabva
ati dzwi kumira achiseka zvake uku
masiriri achingoti sururu achidzika
nepachipfuva chake. Akati, "Ko
zvaunenge uri kutizazve kwaunobva
uko? Zvino ukagotiza ini ndichiuya
kumusha kwako unoti ndiani
achanditandirawo botso?
Handiti madzibambo ako ndiwo akati
ndizouya ndogara navo dare romuripo
wangu here? Zvino unoda darero

200
rigarwe iwe usipo?" Porunobva haana
kupindura mibvunzo yose iyi.
Akangoenderera mberi nerwendo
rwake achitiza pfumo raZisorembwa.
Chegomo akasara akamira achitaura
ega achiti, "Nyarara sezvinonzi uri
matsi kudaro. Botso ndiro
rauchanditandira zvako. Hameno kuti
madzisekuru angu uchamawanepi?
Neniwo handitozivi kwavari.
Ukangoramba kunditandira botso
chete ndinozvisungirira pamusha pako
iwe. Uku makanditorerazve mhandara
yandainge ndati ndicharoorawo. Imi
vanhu imika." Akati tendeu otevedza
nzira yaienda kumusha kwaPorunobva.

201
Munzira Chegomo aifamba
achiimbazvake achiti,
Muripo wangu chiiko Kabiriviri?
Ndakavatatandira ngozi Kabiriviri.
Kundichekesa mbudzi nhema
Kabiriviri.
Vaiti handizivi kuti vakaba mukadzi
wemunhu Kabiriviri. Dai
ndaiona murume wacho ndaimuudza
zvose Kabiriviri Tione
kana vaizoikunda hondo yetsvingudzi
Kabiriviri....
CHITSAUKO 10
"Ndivananiko vanouya kuzovamba
hondo pamusha pano ava nhai sekuru?
Kana vaida zvokurwira mukaranga
202
wavo vakadini kuzviita kare mukadzi
wavo achiri mupenyu pane kuzouya
iye zvino azvisungirira zvake? Ko
munoregera mbwende idzi dzichitaura
mashoko akafumuka kudaro seiko nhai
imi vaera Soko? Madini maita
zvokuvatumbura nemapfumo tasara
tichifurwa nemhepo pane kunyaudzwa
navanhu ava? Iro idare reiko ramainge
magara nembwende idzi? Honai
zvinoita rimwe racho iro. Kufinyamisa
uso zvenhando. Tibvirepo.
Rinongomisa maziso anenge echidaira.
Uri wepiko iwe unongoti mazitsoka
anenge chirovero? Ko idzi harahwa
mbiri ndedzipiwo idzi? Sei muchiita
sepwere vasharukwa imi? Mukati
203
madzimai enyu akakurayi pamaikura
imi? Munongomisa mazindebvu
anenge enhongo yandakacheka pano
nezuro. Dai makaiona nhongo iyoyo, o
namai vangu kudai, mungadai
matondizvambaradza netsvimbo
dzenyu idzi." Chegomo akazopedzisa
kutaura ave kutoumburuka zvake
nokuseka uku masiriri achingoti
chururu. Gwema retsvina
raizosimudzwa norumhepo rwaiveko
musi uyu richizondoti kape mumhino
dzavarume vose vaiva padare iri.
"Une ngozi chete mukomana iwe.
Ukati hauna kurova mai neseri
kweruoko iwe? Kutaura rudzwai

204
kwaunoita kuvasharukwa vakaita sesu
kudai? Dai kwaiva kwedu mhiri
kwaDevure uko tingadai
tatokuzvambaradza iye zvino. Uri
mwana rudzwai.....?" VaMuchairipa
vakadaro vachisimuka kuti
vachidzokera kumusha kwavo.
"Kuzvambaradza ani? Usandidenha
musharukwa iwe. Haundizivi
zvakanaka ndazviona zvangu..."
Chegomo akati tendeu, rukuni rwaiva
pabakwa vhomo ndokuruzamurira
kumusana kwaVaMuchairipa.
Akachiti, "Ndinonzi Chegomo ini.
Ndinokuponda ukaita zvedambe neni
misharukwa iwe! Ahi-i! Namai vangu

205
Kabiriviri vakafira mudziva rine
ngwena. Wa-ka-ja-i-dzwa i-we!"
Akatizve bo kumusana
kwaVaMuchairipa, harahwa ndokuti
nyondo muvhu. VaMuchairipa vakati
regai ndimuke ndokunzizve bo
nechekumagaro huruva ndokuti pwititi
ichibuda pamhapa dzavainge
vakasimira. "Ndati namai vangu
Kabiriviri ndinokuponda chete nhasi.
Unongomisa muromo wakafumuka
se..... Ahi-i.." Chegomo akange oda
kuregedzerazve rukuni rwuya
mumusoro waVaMuchairipa.
Mandidenha akaona kuti baba vake
vangaurawa naChegomo akatarisa

206
ndokubva ati kwaku ndiye mbunde
pana Chegomo. Varume vaviri
vakabva vaita gumi rakadya vaviri.
Vakachiti mvucha vose muvhu.
Chegomo ndiye akange ave pasi uyu
Mandidenha ari pamusoro uku achiti
pupu pupu kumeso kwaChegomo
nezvibhakera. Chegomo
akamboshingirira ari pasi kudaro, asi
akazonzwa zvibhakera zvomukunda
achibva abowa semombe yanzi ga
nedemo munyanga dzayo.
VaGodzamuto ndivo vakazokatanura
Mandidenha vomubvisa
panaChegomo. Mushure
mokukatanura Mandidenha,
VaGodzamuto vakati,
207
"Imi vaera Soko muchatitsvaga chete
nerimwe gore. Hezvo ini Godzamuto
ndiri pano. Isu toenda."
Chegomo akati sumu uku ropa rainge
rakasangana nemasiri richingoti do do
do richibuda mumuromo wake.
Akachiti, "Endai! Ibvai pano!
Munongomisa nhahwamaringa
dzematehwe emapere. Basa
nderokupfuya mapere muchitadza
kupfuuya mombe nembudzi
sezvinoita vamwe hamusvodi here?
Fambai muende kumisha yenyu!
Varoyi vevanhu! Kana muchiti
muchaona vaera Soko vouya kumusha
kwenyu kuzotsvaga rubatsiro

208
kanganwai zvenyu. Ini Chegomo,
mwana womuera Moyo ndini
ndichavabatsira kwete imi. Iyo mbudzi
yakaurawa pano ndimi
makamboicheka here zvomoti
mucharamba kubatsira varume ava?"
VaMuchairipa vakabva vakandawo
mashoko avo vave kubuda muchivanze
chepamusha uyu vachiti, "Kana uri
sewe zvako nyara muzukuru. Ngozi
yawakasenga ihuru kwazvo.
Tichakuona wosvikawo kwedu mhiri
kwaDevure uko uchitsvaga
kwokutandira botso...."
Zvikanzi naChegomo,
"Ndinogotandira botso kumusha
209
kwenyu kuti ndashaya hama dzamai
vangu here? Chibvai pano ndisati
ndakuitai zvimwe iye zvino. Muri
mbwende dzavanhu haikona. Ndiko
saka makasvika pakutorerwa
mukaranga wenyu nokupata kwenyu
ikoko. Izvozvi chikomba
chokukutorerai mukadzi ndachiona
chichikwidza kumakomo
eChirwirangwe uko imi muchingoita
tumatare twenhema pamusha pano."
Chegomo akange oita seabudirwa
neshavi rokutaura.

VaMarufu naVaNdoringepi vakaedza


kunyararidza Chegomo, asi Chegomo
210
haana kuzviteerera. Chegomo
akangoramba achitukirira
VaGodzamuto nevemhuri yavo
kusvikira vave kure kwazvo nemusha
waPorunobva. "Ndati kumisha yenyu
handitsikiko! Vana sekuru vangu vari
pano ava ndivo vachatondibatsira
kutsvaga madzisekuru angu kuti
ndiripe mhosva dzangu. Mbwende
dzava-a-nhu! Muri mbwe-e-nde!"
Chegomo akakwamatata zvokuti
mashoko ake akasvikoti ngori
munzeve dzaVaGodzamuto
nedzevamwe vavaifamba navo
parwendo rwokudzokera kumusha
kwavo urwu. VaGodzamuto
nevemhuri yavo vakatoseka zvavo
211
pavainzwa Chegomo achivatuka kudai.
Zisorembwa ndiye akazotanga
nokubvunza oti, "Kabiriviri ange
achitaura nomupengo uya, havasi mai
vangu vokunge vakaroorwa
kuVaDuma uko here?"
Zvikanzi naVaGodzamuto, "Ndivozve.
Handiti ndivo vakasiira Muchairipa
zamu..."
VaMuchairipa vakabva vagama nyaya
iyi voti, "Chokwadi mwana wababa
vangu akazvarirwa nhamo uya. Iyo
nyaya yokuzvarira iyi ndinoona seisina
kuti twasu ini Madyirapanze."
"Nemhaka yei muchiti haina kuti
twasu nhai babamudiki?"
212
VaGodzamuto vakadaro
vakatungamira nzira uku mudonzvo
uchinzi ukananzviswa pasi
wosimudzwa mudenga,
wonanzviswazve uchingonzwaro.
"Hamuoni kuti mukunda wedu
Kabirirviri watiri kutaura pano uyu
haana kunge akafarira murume
waakaita zvokupihwa nababa uyu? Ini
ndinofunga kuti ndizvo zvakazoita kuti
azvare zungairwa rataona kuvaera
Soko uko." VaMuchairipa vakadaro.
Zvikanzi naVaGodzamuto, "Unoti
akazvarwa ari zungairwa here
mukomana uye? Izvi zvinenge
zvakazotanga mushure mokunge
213
mukunda wedu ashaika. Zvimwe
mukunda wedu ane shungu
nezvaakaitwa nemwana waakazvara..."
"Ndizvozvo chaizvo Madyirapanze.
Munoti angashaya shungu iye
akapihwa pamuviri nemwana
waakazvara here? Handiti shungu
idzodzo ndidzo dzakatoita kuti
azvikandire mudziva rine ngwena?
Mukadzi mukuru kudyiwa muviri
wose kusiya kwomusoro chete
wakazongoonekwa wakati papama
pamusoro pemvura.." VaMuchairipa
vakadaro vachipindurana nomukoma
wavo.

214
Mandidenha paakanzwa nyaya iyi
akabva ada kuziva zvakawanda
pamusoro pavatete vake ava. Akati,
"Zvino makazoenda kundoviga
musoro chete here?"
Zvikanzi naVaGodzamuto, "Ani
akaendako? Isu takati mukunda wedu
mupenyu, afa mwana wenyu ari
mudumbu saka temai rukarwa
rwemwana wenyu muvige. Unoti
ndiani aida kundotarisana nomuzukuru
ainge akaita makunakuna akadaro?
Handiti chero dai takaenda angadai
akandotemwa temwa mwana wavatete
vako iyeye? Baba vako, Muchairipa
iyeyu ari pano akange ati anoda

215
kuendako kuti andopedzerana
nomuzukuru wake isu tose tikati
hakuna kwaunoenda. Takangoti
tichazopedzerana nemuzukuru wedu
paachauya kana onetswa nemweya
wemukunda wedu.."
Zisorembwa akabvawo abata
VaGodzamuto muromo achida kuziva
zvakazoitika kumusoro waKabiriviri
wainge wawanikwa uri mudziva uye.
Akati, "Zvino musoro wakazongosiiwa
uri mudziva here kana kuti
vakaucherera guva? Kana vakachera
guva, ndiani akatema rukarwa imi
zvamainge maramba kundoviga
mukunda wenyu?"

216
VaMuchairipa ndivo vakamupindura
vachiti, "Guva vakachera vega ikoko
ndokuviga. Isu takazongonzwa
namakuhwa kuti iye muzukuru wedu
uyu ndiye akatema rukarwa
rwepakacherwa guva ramai vake.
Isuwo nanhasi uno hapana anoziva
nepane guva raKabiriviri.
Takangomirira kuuya kwemuzukuru
kuti achizotisimudza achiti vana
sekuru hundei mundoona pakavata
mukunda wenyu. Kana asinawo kuuya
tichangogara tiri murima sezvatakaita
zvino..."

217
Zvikanzi naZisorembwa, "Muzukuru
wamunoreva ndiye ange achitirova
nekutituka here uyu?"
"Kuti ini nditi ndiye ndinganyepa
muzukuru. Asi ndazofungira kuti
ndiye mwana wemukunda wedu
panguva yandanzwa achiti 'mai vangu
Kabiriviri.' Zvino unoti kune mumwe
Kabiriviri asiri mukunda wedu here?"
VaGodzamuto vakadaro vabereka
tsvimbo kumusana zvino.
"Kana ariye tichamubata paachauya
kuno chete. Haangatitukirire
zvakadaro mhani. Dai makurumidza
kutaura tichiri pedo ndadzokera
kundomutaridza chakatadzisa imbwa
218
kuseka iyo kunyenama ichigona.
Ibenzi remuzukuru haikona.
Tichapedzerana naye paachauya
chete." Mandidenha akadaro ashatirwa
zvino. Varume vakazotsura masango
vachitaura nyaya dzakasiyana siyana
vachidzokera kumusha kwavo.
Pamusha paPorunobva pakasarawo
paine zvaiitikawo. Shuviro akange
amukira kutsime nevamwe vakadzi
akange azodzokawo. Chegomo
paakaona Shuviro akafara kwazvo.
Akabva ataura kuna VaMarufu achiti,
"Munoona mhandara iyo sekuru?"

219
Zvikanzi naVaMarufu, "Hongu
ndinoiona muzukuru. Wange wati
chinyi nayo?'
Chegomo akatanga azhinya zvenhando
ndokuzoti, "Ndiyo mhandara
yandinoda kuzoroora iyo kana
ndapedza zvokutanda botso
zvandinoda kuti mundibatsire. Tiri
pakutanda botso ipapa, ndakazofunga
ndiri ndega kubako uko ndikaona kuti
ndikati imi nditandirei botso ndinenge
ndakuomeserai. Ini ndini ndakatadzira
amai vangu saka ndini ndinofanira
kuvaripa. Zvino pamuripo wangu
wamaida kundipa uye ndinoda kuti
munditsvagirewo kune madzisekuru

220
angu, hanzvadzi dzaamai vangu. Kana
madziwana mochinditungamirira
ndoenda kundokumbira ruregerero
kwavari."
VaNdoringepi vakabva vagama
Chegomo vachiti, "Zvino madzisekuru
ako aunotaura aya anogarepi?"
Chegomo akati, " Kumusha kwavo
chaiko handizivi sekuru, asi vainzi
vaigara kuvaera Gumbo vari mhiri
kwaDevure uko. Nhume
yakamboendako neshoko redzatiputsa
pamazuva afa mai vangu
yakazoshaikawo isati yanditaridza
kumusha kwaamai vangu." Mashoko
aChegomo akaita kuti mhuri
221
yaVaMarufu itarisane nemeso ainge
akazara kuvhunduka zvose nekutya
kukurusa.
CHITSAUKO 11
Mushure mokunge vanhu vose
vapararira, Shuviro akasara achigara
pamusha paPorunobva, asi Semeni
haana kufara nazvo. Porunobvawo
ainge atokanganwa nezvaDudzai
zvokuti ainge opedza nguva zhinji
akagara zvake naShuviro vachidya
nyaya. Izvi zvakadyara ruvengo
rwainge rwakasviba kuti tsva setsitso
remupani rakadzima moto kare kare
muhana yaSemeni. Semeni
akamboedza kuudza murume wake
222
kuti ainge asingachagari zvakanaka
pamusha pake nokuda kwaShuviro, asi
Porunobva akatoisa zvitanda munzeve.
Naiyewo Shuviro akange atokanganwa
nezveshure kwaakabva. Zvose zvokuti
akange ambosangana naMandidenha
uyo akange amukanda shoko zvakange
zvatofushirwa nemashoko aainzwa
achitaurwa naPorunobva zuva nezuva.
Porunobva ainge ogaroudza Shuviro
kuti moyo wake waibaikana chose
pose paaiona Shuviro akamira
nemajaya emunyika yavo. Chinhu
chimwe chainge chodiwa naShuviro
ndechekumisawo imba sevamwe
vakadzi. Izvi zvainge zvotutsirwa
nemashoko aambuya vake vaChizeze.
223
Aidazve kuti kana vokumusha kwake
vaizomuwana, vamuwane ave neimba
yake kuitira kuti zvokuendeswa
kuvaera Nyati zvipate.
Mukupindura mashoko aPorunobva,
Shuviro aizoseka zvake achiti iye
akange achiri mhandara saka
aisarambidzwa kumira kana kutaura
nevakomana vezera rake. Chero
zvazvo mashoko aya aitaurika
mukuseka Porunobva aizogumisira
atsamwa, asi haana kusviba moyo.
Akangoramba achizviudza kuti
Shuviro ndiye waaizoroora chete.
Semeni zvaakaona murume wake
atadza kumuteerera pane zvose
224
zvaaimuudza maringe naShuviro,
akafunga pfungwa yokukwidza nyaya
iyi kwatezvara vake VaMarufu.
Akamukira mangwanani omusi
woMugovera ndokuwana vamwene,
vake. VaMatinetsa vachitswa mhunga
yesadza. VaMatinetsa havana kuona
kusvika kwakange kuchiita muroora
wavo sezvo vainge vachijigida muduri
uku vachimba kambo vachiti,
Baba vangu,
Gudu gudu gudu,
Ndizvo here?
Gudu gudu gudu,
Zvamakada,

225
Gudu gudu gudu,
Kundizvarira,
Gudu gudu gudu,
Nhasi...."
Kambo kaye kakanzi gwi nezwi
raSemeni rainge rataura. "Mamuka sei
amai? Nayo mhunga iyi. Haisati
yaibva here ndichiipedzisa?" Akadaro
Semeni achimira ava pamberi peduri
raitswirwa riye.
"Inoibva here iyoyi muroora? Unoti
maoko acho achine simba here?
Ndange ndoda kutoibura ipapa"
Vakadaro VaMatinetsa vachikupura
dikita neseri kweruoko iro rainge rati
sinini pahuma yavo. Vakachipukutira
226
dikita riye pashashiko dzavainge
vakapfeka ndokumira zvavo votaura
nomuroora wavo.
"Zvaamai vasikana. Zvino munoda
kubura mhunga ichiri nyoro here?
Regai ndiibvise ndozoibura kana
yapera mvura." Semeni akatora
mutswi wainge wazendamiswa
pamadziro emba yaVaMatinetsa
ndokuchitangisa kutswa. Semenii aiti
akasimudza mutswi mudenga
oudzikisa uchindorova pamwogo
weduri zvokuti wainzwa mhunga
yodavirira ichiti swi-i swi-i swi-i.
"Imi muchine ropa rinomhanya
mwanangu, unoti zvaunoitazvo
227
tichazvigona here?" VaMatinetsa
vakadaro vakagara pasi zvino.
Semeni akaseka zvake ndokuti,
"Handiti makati munoda kutanga
kuzvarwa imi here muchiti munoda
kuzozvarawo isu? Zvino mai nemwana
vangachaita muzera mumwechete here
amai?"
VaMatinetsa vakafa zvavo nokuseka
ndokuchizoti, "Izvo ndizvo hazvo
mwanangu. Nyama dzomuviri
dzinosakara idzi. Iwewo makore
anouya ayo unenge waita zvandakaita
zvino." Vakadaro vachitaridza Semeni
ganda romuviri wavo iro rainge
raunyana nokukura.
228
"Ipapo ndipo pamareva amai. Ndava
kutochemberawo ipapa. Ko baba
varipo here kana kuti vamukira
kumisungo yavo muChirwirangwe
umo?" Semeni akabvunza apedza
kutswa zvino. Akatora sero mbiri
ndokubudisa mhunga iye muduri ave
kuiisa musero mbiri dziye.
"Varimo zvavo mumba umo. Unoti
vachagona kukwira mumakomo sekare
here? Izvozvi chinguri zvakanzi
ndinoda kundotarisa misungo yangu,
nanhasi hakusati kwaenda. Kuri
kwekuti haina zvayo kupotsa misungo
yacho, handiti mhuka yokubatwa
yacho inenge yakatotorwa nevane

229
makumbo isu tichidya nederere
pamusha pano." Vakadaro
VaMatinetsa ndokuzopedzisira
nokutenda muroora wavo vachiti,
"Matendwa muroora wangu, mwana
waGono, Chirandu. Matendwa mai
vevazukuru vangu."
"Munotendeiko amai? Ndizvo
zvakanakira nyoka inokupa
vanakomana nokuti inokudza rudzi"
Semeni akadaro achiti pweshe pasi.
"Izvozvo ndizvo hazvo muroora
wangu, asizve vanakomana ivava
vakashaya unhu nematyira rinova
dambudziko guru mumusha. Unoti
zvakaitwa nemurume wako iyeyu
230
zvinoyemurwa navangani? Handiti
chero iwe zvauri pano kudai utori
nebundu reshungu mumoyo mako?"
VaMatinetsa vakataura mashoko aya
uku meso avo akanzi jii pana Semeni.
Zvikanzi naSemeni, "Zvino
tingachadini mhai isu tichingonzi
chedu kuzvara panyika pano. Handiti
ivo vanhurume ivava ndivo vanongoti
titevedzere zvose zvavanenge vataura.
Ukada kuti ubvunzewo kana kutaura
unobva wanzi nyarara...."
"Unoti vachasvikepiko vachidai nhai
mwanangu? Ndinoziva kuti nerimwe
gore vachaonawo kukosha kwedu
panyika pano. Unoti dai tisipo isu
231
vangadai vakazara here varume vese
vaunoona ivava? Handiti mazamo
akavarera ndiwo adai kusvava aya.
Handiti ipapa ndipo pakamwiwawo
nomurume wako, iye Porunobva uyu.
Izvo zvaava kuitawo zvokushaya
hunhu hameno kuti akatodza ani?"
VaMatinetsa vakadaro vachitaridza
kushingurudzika kukurusa pameso
pavo.
Semeni akati, "Iye mugotwe wenyu
uyu ndiye atoita kuti ndisvike kuno
rungwanani rwuno. Handiti pava
nemhandarazve yotogara nayo
pamusha pedu ipapa. Nekumusha
kwayozve hakuna anokuziva. Mheno

232
iye Porunobva wenyu uyu. Zvimwe
ndiye anoziva kwaakamuwana....."
"Mhandara ipi yaunoreva iwe? Ko iye
Porunobva zvaanotizve munun'una
wako iwe? Ndakamunzwa musi uno
achinetsana nababa vake pano
vachimuti musikana iyeye vainge
vakambomuona aina Chegomo kubako
kwake uko. Iye murume wako iyeyu
akarambisisa achiti aisava iye
musikana wokuonekwa kubako
kwaChegomo, asi kuti aiva munun'una
wako wemhiri kuvaera Shava uko."
VaMatinetsa vakange vakahadzika
nemashoko aSemeni zvino.

233
"Munin'ina wangu upi nhai mhai? Ini
ndini mugotwe mumba yamai vangu
hakunazve mumwe shure kwangu.
Handiti ndikatoda kubvunza
nezvemhandara iyoyi ndinoshushirwa
zvokuita sendicharohwa kana kuurawa
chaiko?"
VaMatinetsa vakabata muroora wavo
muromo vachiti, "Muroora, nyaya iyi
haidi tiri vakadzi tega saizvozvi kudai.
Inotoda ivo varidzi vemusha mbune.
Rega ndiudze tezvara vako kuti uri
pano. Varimo zvavo mumba umo."
Chembere yakasi simu ndokuguma
huruva pashashiko yayo, huruva
ndokuti pwititi ichikwira mudenga.

234
Vakachiti bheke bheke voenda kuimba
yavo yokurara ndokusvikoti ngori
votaura nomurume wavo.
Pamusha paPorunobva Shuviro akange
asara achimukira kutsvaira paruvanze.
Apedza akatora Chirongo oenda
kutsime. Semunhu akange aenda ari
ega haana kundogarisa kutsime kuya.
Akakurumidza kudzoka ndokuwana
Porunobva amukawo. Shuviro
zvaakaona Porunobva akati gwadagwa
ndokumutsa Porunobva. Apedzazvo
akabva asimuka opinda mumba
yokubikira. Zvaifamba Shuviro
achienda muimba yokubikira kudai,
Porunobva ainge akamira achiyeva

235
mufambiro waiita mhandara iri. Ruoko
rwerudyi rwainge rwakabata chirebvu.
Uta ndihwo hwainge hwakadzi dzvi
kuruoko rweruboshwe.
"Ndomutevera? Ndorega? Ndoita sei?
Asi ndikamunonokera
ndinozotangirwa nezvikomana
zvomuno mhani. Regai ndipindemo."
Porunobva akararo achitaura ega ari
panze paainge akamira. Panguva
dzaakangonyarara idzi, akabva ati
nhanho shanu dzinenge nhanhatu
kanhu kanhu ndiye mumba
potyorotyo.
Kupinda kwakaita Porunobva Shuviro
akabva ati simu achibva paainge
236
akagwadama. Akati, "Kwakanaka here
kwamunopinda muchiita semuri
kudzingirirwa kudaro?"
"Shuviro." Porunobva akadaro
ndokumboti dzitya.
Akakwenyakwenya musoro zvenhando
ndokuenderera mberi achiti, "Anorwira
soro anorwira rake...."
"Nyaya yenyu iri papi chaizvo
babamukuru?" Shuviro akabvunza
ndokubva Porunobva amupindura
achiti, "Izvi ndinogarozvitaura zuva
nezuva ndichiti hazvibviri kuti iwe
uzobviswa nemumwe murume pano
ini ndichikuchengeta zuva nezuva

237
saizvozvi. Iwe chigara pano
ndikuvakire dumba rako....."
"Hehede! Seka zvako mwana womuera
Shava. Munoda kundiurayisa
naSemeni chete imi. Ko iko
ndikabviswa pano nemumwe murume
zvakaipeiko? Nditori nejaya
randindinoda kuzokutaridzai kuti
muone kana rakakodzera kuti
rindibudise munhanga." Shuviro
akadaro achiseka zvake, asi Porunobva
akashatiriswa kwazvo nokutataura
uku. Porunobva akakandira uta
kwakadaro uko ndokubata ruoko
rwedudyi rwaShuviro achimukwevera
pedo naye. Akachiti "Zvose

238
zvandichareva pano kana zvandichaita
pano newe hazvidurwi chero kunani
zvake. Unozvinzwa izvozvo?"
"Zviikowo zvinonzi hazvi....." Shuviro
haana kupedza kutaura ainge atova
pasi. Izvi zvakamutyisa zvikuru.
Akada kuti abvunze kuti zvakange
zvambonyanyoita sei chaizvo, asi
Porunobva haana kana kumboda
kumupindura. Chakangokwanisa
kuonekwa naShuviro chinya zvose
neutsinye hwakange hwakaputira
chiso chaPorunobva. Shuviro achiri
pakati pokuvhiringika nechiitiko ichi,
Porunobva akabva adambura shashiko
dzaShuviro, mhandara ndokusara

239
yangova musvo. Shuviro akavhunduka
nokuita uku achibva aedza kuti
asimuke atize, asi akange anonoka.
Porunobva akange atomugara
mipimbira apa ruoko rweruboswe
rwakabata muromo waShuviro zvine
simba zvokuti mhandara yakatadza
kana kutsukutika kuti iridze mhere.
Porunobva akange ashinga nezano
rake. Moyo wake wakange waoma kuti
nga sedombo reruware. Hakuna
zvimwe zvakange zvichafungwa
nemusoro wake kunze kwokuita zvose
zvaaida nemhandara iyi. Kusvika
kwose kwakaita Semeni naVaMarufu
haana kukunzwa. Semeni achiona

240
mashura aya akabva angoti "A-a!"
ndiye bhii negotsi.
CHITSAUKO 12
"Saka unondiudza kuti ndizvo
zvawakavinga pamusha pangu pano
here nhai Shuviro? Kuuya
kuzonditorera murume nokundiita fuza
romukadzi mumba mangu, une
chokwadi iwe? Shuviro! Shuviro...."
Semeni akatadza kupedza mashoko
aaida kutaura. Bundu reshungu
ndakange rasvikoti ndii pahuro pake.
Mukadzi akahwihwidza zvainzwisa
tsitsi. Panguva iyi mhuri yaVaMarufu
yose yakange yakati bamhakata
pamusha paPorunobva. Shuviro
241
aivapowo akangoti tsiki tsiki pasi uku
misodzi iri do do do ichiwira pavhu
dzvuku raive pamusha apa. Semeni
ainge akagarawo padivi pavamwene
vake, VaMatinetsa avo vaingoti
padoko padoko vombobata
mapendekete omuroora wavo
vachimunyaradza.
VaMarufu nomukoma wavo
VaNdoringepi vainge vakangotiwo
pasi ndee vasisina kana nezano rose.
Porunobva namadzikoma ake matatu,
Murenga, Zvirikunze naMureza vainge
vakatiwo ziro mumwe nomumwe
achibaikana mupfungwa dzake.
Chainyanyonetsa madzikoma

242
aPorunobva ndechekuti hapana
ainyatsoziva zvakange zvanyatsoitika
pakati paPorunobva naShuviro. Saka
vose vaingova nemifungo yaitsvaga
kuti nyaya iyi yaizopera sei chaizvo.
Runyararo urwu rwakambovapo
kwekanguva ndokuzogurwa naSemeni
uyo akange ataurazve.
"Kufa kunotova nane mhai pane kuti
ndirambe ndichiona Porunobva
naShuviro vari pamusha pano."
Semeni akadaro achipukuta maziso
ainge atsvuka kuti piriviri seemunhu
aputa zumbani. Akati meso jii kwaiva
naPorunobva ndokutizve, "Ko kana
waida kutora Shuviro kuti ave

243
murongo wako wakadini kuzviita
mune zvakanaka nhai Porunobva, pane
kutambira matsvina enyu pamusoro
pembiya dzangu? Porunobva-ka!
Porunobva-a!" Misodzi yakabva
yatizve mokoto pachiso chaSemeni,
uku aichingohwihwidza zvainzwisa
tsitsi.
"Ukaita chinya chinenge chegurwe
hakuna kwaunosvika muroora. Iwe
chiti mwiro uchiteerera zvichataurwa
nanababa vako vari pano ava.
Ndinozviziva kuti zvinorwadza
muroora, asi ndinoda uzive kuti demo
haritongi nyaya mwanangu. Iwe
chinyarara chete tigoona mugumo

244
wazvo." VaMatinetsa vakadaro
vakabata mapipito omuroora wavo.
Semeni haana kupindura, asi aingoti
pfiku pfiku akatsikitsira pasi.
Mushure mokunge VaMatinetsa
vanyarara, VaNdoringepi vakati koso
koso ndokuti, "Vakomana nyaya
yataunganira pano tose tinoiziva. Uyu
munin'ina wenyu Porunobva anzi
awanikidzwa achiedza kushinha
nemhandara igere papa iyi. Zvino
nyaya iyi tinoda kuti tiidzeye
nokuigurazve zvine ungwaru kwete
kuita zvinhu zvinozotinetsazve
mangwana. Uyu Porunobva mwana
wangu, kunemi vakomana munin'ina

245
wenyu, asi ngatisakurudzirai benzi
nomupururu. Tikangodaro chete,
tinopedzwa tose nengozi mumusha
muno. Saka nhasi uno tinofanira
kuwirirana tose pano kuti toita zvipi
kuti tisatapuranazve nengozi
yomusikana agere papa uyu."
"Ko nyaya yangu haichina basa here
baba zvomugara matare oupenzi
hwaPorunobva? Ini ndinoda kuti
Porunobva andiripe mombe inotsika
nokuda kwekunyangadza imba yangu
kwaakaita. Kana akasadaro chete
nhamo yacho achaiona." Semeni
akadaro achitaura atsvukisa meso
serovambira zvino.

246
"Izvo ndizvo zvatiri kuti tiwirane
navarume vako vari pano ava
muroora." VaNdoringepi vakadaro,
Porunobva ndokuvabata muromo
otiwo, "Mombe yaanoda ndeyeiko
nhai baba? Kana asingachadi
zvepamusha pano ngaangobva mune
zvakanaka pane kuda kutsvaga uroyi
pasina. Imba yaanoti yanyangadzwa,
yanyangadzwa chirudzwai?
Yanyangadzwa naniko imba yacho?
Munhu uyu mukasamungwarira
anokutongai pamusha pano
Makwiramiti. Ini ndanyarara itai
tione."

247
Shuviro akabva angoshamawo
muromo achiti azvichenure. Akati,
"Pamusori vanababa naamai.
Muchindiona ndiri pano kudai upenyu
hwangu hwakasungirirwa pagumbo
regwena. Porunobva uyu ari apa
ndichimuona iye zvino ndinoona
mhondi yakati kwindi zvayo pakati
pevanhu vane moyo yakati mbembe
semwedzi wejenaguru. Moyo
waPorunobva wakaoma kuti nzii
sedombo reparuware. Murume uyu
haana kana tsitsi nomunhu
ndakazvionera ndega nameso angu
aya. Dai musimi vakoma vangu
Semeni nemi baba makakurumidza
kusvika ndingadai ndichitaura zvimwe
248
nhasi uno. Zvose zvaida kuitwa
naPorunobva uyu handina kana
chimwe chandainge ndawirirana naye.
Zvose aida kungozviita
muchimhukutira
nomukundityisidzira......"
Semeni akamuti gwishu achipopota
neizwi raiva pamusoro-soro. "Usada
kuedza pfungwa dzedu pano
namashoko ako akafumuka kudaro
mwana iwe! Kana waisawirirana
nazvo wakadini kutiza uchibuda panze
pano? Ko, kuridza mhere zvako?
Wakatadzazve? Handiti kutadza kutiza
nokuridza mhere kwawakaita chitori
chiratidzo chakakwana chokuti

249
waiwirirana nazvose zvaiitwa
naPorunobva uyu?"
"Handina kana chandaiwirana naye ini
vakoma...." Shuviro akadaro ave
kuhwihwidza zvino.
"Unogoti hauna chawaiwirirana naye
sei ini ndakaona Porunobva akagara
pamimbira yako? Aiitei ipapo?
Pindura. Ndati aiitei pamipimbira
yako?" Semeni ainge ashatiriswa
nemhinduro dzaShuviro zvino.
Shuviro haanazve raakazoti bufu.
Akabva angovhara muromo wake
omirira zvaizotevera.
Dare rakazoenderera mberi
nokuongorora nyaya iyi.
250
VaNdoringepi ndivo vaive nhungamiri
yedare iri sezvo varivo vaive mukuru
pamusha uyu. Vaibatsirwawo
naVaMarufu nevanakoma vavo.
Padare rimwechetero pakamboita
makakatanwa nokuda kwokuti Shuviro
aizoiswa kupi kana dare richinge
rapera. VaNdoringepi, VaMatinetsa,
Murenga, Zvirikuzhe naMureza vaiti
Shuviro aifanira kudzokera kwaainge
akabva. VaMarufu vaitiwo nyaya
yaShuviro yaifanira kukwidzwa
kwamambo Jena kuti indoongororwa
ikoko. Izvi vaiti zvaizovabatsirawo
mune ramangwana kana hama
dzaShuviro dzaizoronga zvokutsiva
zvainge zvakaitwa kumukunda wavo.
251
Porunobvawo ainge aine rakewo shoko
rokuti Shuviro aisafanira kudzingwa
pamusha pake sezvo mhandara iyi
yainge ichitsvaga kupotera. Mashoko
aPorunobva akashaya basa mushure
mokunge Shuviro ataura achiti,
"Hongu ndiri kupotera zvangu, asi
zvokuti ndirambe ndichigara pamusha
pano ini handichadi zvangu. Kana imi
vana baba mati hamukwanisi kugara
neni kumisha yenyu zvingatova nane
ndidzengerere nesango pane kugara
nemurume ane moyo wakasvipa kuti
ndoo saPorunobva uyu."
"Izvo tiri kuzvinzwa muzukuru, asizve
isu tose tiri pano takasungwa maoko

252
ese kuti nganganga. Nokudaro hatigoni
kuti gara nesu pano isu tisingazive
kana nekune rukuvhute rwako. Dai
taiziva nzira yokumusha kwako
taigona kuti gara nesu pano, zvino iwe
wakangoti unobva kuvaera Shava uko.
Ndiani anizondotisvikira ikoko kana
wazowirwa nedambudziko uri
mumusha muno. Chero ndiwe hauni
kuti pakarema ipapa muzukuru?"
VaNdoringepi vakadaro vachipindura
Shuviro. VaMatinetsa naSemeni
vaionekwa kugutsurira misoro yavo
vachiwirirana nemashoko
omusharukwa uyu.

253
"Ndinowirirana nemi Makwiramiti.
Musikana uyu hazvigoni kuti agare
nesu pano, isu tichine dzimwe mhaka
dzatisati taripa kudai. Munoti kuenda
kwakaita vokwaChinomukutu kuya
zvakatopera here? Ko iye Chegomo,
handiti ane nyaya dzakewo dziri
mumusha muno? Ini ndinoona
zvakakodzera kuti musikana uyu
andotsvaga kumwe kwokupotera
kwete pamusha pedu pano. Hongu
ndinoziva kuti tinenge taita moyo
wakaoma, asi hapana zvimwe
zvatingaitawo veVhudzijena.
Ngatichiregai kuzvigokerazve imwe
ngozi, isu tichine dzimwe dzigere
kuripwa pamusha pano." Murenga
254
akadaro achitaura zvinyoro nyoro.
Mashoko ake ainyatsopinda munzeve
dzavanhu vose vaiva pamusha apa.
Kunyararara kwakaita Murenga,
Porunobva akabva angotiwo, "Vanhu
imi ndiri kukuonai zvangu, kunyanya
imi mukoma Murenga namukoma
Mureza. Mashoko enyu haasi
okuchengeta musha aya, asi kuti
makatoteya misungo pamhandara iri
pano iyi. Ini zvokuti Shuviro abve
pamusha pangu pano achienda kune
imwe nyika handiwirirani nazvo izvi.
Zvingatova nane kuti abve pano
achienda kumuzinda kwamambo Jena
uko kwete kurega mwana

255
achipepereka nemasango ane zvikara
zvinorura.."
VaMarufu vakabva vabata mwana
wavo muromo vachiti, "Nharo dzako
idzodzi Porunobva ndidzo
dzakatipinzazve mutsekwende yodai
kutipedza pamusha pano. Ko
ukambotevedzera zvinotaurwa
navamwe zvakadini nhai mwanangu?
Handiti zvinonzi zano ndega akasiya
jira mumasese? Izvi zvaunoda kutiitira
pamusha pano izvi handisati
ndakambozviona kubva chizvarirwo
changu ini."
"Izvo ndizvo chaizvo Mukanya.
Vakare vakati zano marairanwa. Isu
256
ngatichigurai nyaya iyi zuva risati
ravira kuitira kuti pazuva ramangwana
tigone kuchipaza nyaya yomuripo
waChegomo iya." VaNdoringepi
vakadaro ndokuenderera mberi
ndokugura dare iri. Mukugurwa
kwedare iri pakawiriranwa kuti
Shuviro abude mumusha
maPorunobva musi mumwechetewo.
VaMarufu vakabvisirawo mugotwe
wavo tsiru rokuripa Semeni
pakutadzirwa kwaainge aitwa.
Shuviro zvaakanzi afambe-fambe
kunze kusati kwasviba akangoti simu
ndiye ngori munzira yainge yakatarisa
kumavirira. Nzira iyi ndiyozve yaienda

257
kumakomo eChirwirangwe uko
kwaiva nebako raChegomo. Mushure
mokunge Shuviro aenda, dare rakasara
richipararira mumwe nemumwe
onanga kumusha kwake.
Vaizosanganazve muzuva
ramangwana voronga kuti vaizoita
zvipi maringe nomuripo waidiwa
naChegomo.
CHITSAUKO 13
Chava chifumi chamangwana
VaNdoringepi nevanakomana vavo
vaviri, Zezai naChekai vakamukira
kumusha kwaVaMarufu kuti
vandogara dare renyaya yaChegomo.
Vatatu ava vakawana Murenga,
258
Mureza, Zvirikunze naPorunobva
vatove pamusha pababa vavo.
VaMarufu ndivo vakange
vachibudawo mumba yavo yokurara
vachiuya kuchivara kwainge
kwakagara vanakomana vavo.
VaNdoringepi nevanakomana vavo
zvavakasvika vakagara pasi, Murenga
ndokutungamirira vanin'ina vake
vomudza babamukuru vavo. Mushure
mokumutsana nokubvunzana mufaro
VaMarufu vakabva vasvikawo
ndokumutsana nomukoma wavo.
Izvi zvapera VaNdoringepi ndivo
vakatanga nekusuma dare zvakange
zvawira nevanji wavo Zezai. Vakati,

259
"Pane chiitiko chakaitika nezuro
chatisati taziva mamiriro acho chaiwo.
Zezai uyu ari kuti mhandara yake,
Cheneso yakabuda ichienda kutsime
nezuro kumadeuka zuva, asi haisati
yadzoka nanhasi. Zvino isu hatichazivi
kuti chinyi chaizvo chakaitika
kumwana uyu?"
VaNdoringepi vachinyarara,
VaMarufu vakabva vati, "Kutsime
kwcho akaenda ega here kana kuti
akabatana nedzimwe mhandara
dzomumusha muno?"
"Izvo hazvina achaziva baba. Mai
vacho vanoti mwana akangotora
chirongo ndokuti 'ndichamboenda
260
kutsime,' ndiye kwakaenda imbwa
ndiko kwakaenda tsuro. Takaedza
kumutevera kutsime ikoko asi
nechirongo chacho hatina kuchiona."
Uyu aiva Zezai ainge achipindura
babamunini vake, VaMarufu.
Murenga akatiwo, "Vanasikana
vanoshupa kuti tinzwisise zvinenge
zvavawira chaizvo. Izvozvi
hazvishamisi kuzoona dombo ouya
nebadza retsvagirai kuno." Varume
vakamboseka zvavo, Murenga
ndokuzoenderera mberi achiti, "Kana
dombo azouya ndipo paunozonzwa
mai vemwana voti ndaitya kukuudzai
kwakaenda mwana. He-e ndaitya

261
kupondwa. He-e chino. Hama dzedu
idzi, pane basa." Murenga akapedzisira
nekudzungudza musoro wake.
VaNdoringepi ndivo vakazogura
nyaya yokushaikwa kwaCheneso
vachiti, "Tinogona kumbomirira
kwemazuva gumi tione kana tisina
shoko ratichawana maererano
nemuzukuru wangu uyu. Kana tazoona
pasina asvika kuno neshoko
rekutizivisa kuna Cheneso
tochizotangisa kumuvhim mumasango
nemamwe matunhu akatipoteredza."
Varume vese vaiva padare iri
vakawirira naVaNdoringepi

262
ndokuzoenderera mberi nokuronga
nezvemuripo waChegomo.
Panyaya yomuripo waChegomo
hapana kuita makakatanwa. Vose
vakawirirana kuti Chegomo aifanira
kupihwa muripo waainge akatara.
Shoko rakazotumirwa kuna Chegomo
kuti azouya mumusha maVaMarufu
kuitira kuti vachitangisa kufambisa
nyaya yake. Chegomo akadzosa shoko
rokuti aizouya mumusha umu mushure
memazuva mashanu sezvo nyama
dzomuviri wake dzakange
dzichidzimbikana.
Mumazuva iwaya, vemhuri yaMambo
Hera, kunova kumusha kwaShuviro
263
vainge vasina kukanda mapfumo pasi
mukutsvaga mukunda wavo kwavaiita.
Chikwata chevarwi chaitungamirwa
naChirimundiro chakasakadza
masango akawanda kwazvo
vachitsvaga Shuviro. Mukutsvaga
mukunda waChikunichemoto kudaro,
Chirimundiro nechikwata chake
vakasvikawo nekunyika
yaChinomukutu, asi Shuviro havana
kumuwana. Mandidenha akaudzawo
chikwata ichi kuti naiyewo aitotsvaga
Shuviro nameso ainge akati piriviri
zvokuti kana aizomuwana chete
aizoenda naye kumuzinda waMambo
Hera. Chirimundiro nevamwe vake
vakafara kwazvo pavakanzwa vimbiso
264
yomurume uyu ndokupfuurira mberi
nerwendo rwavo rwokutsvaga Shuviro.
Chirimundiro nechikwata chake,
vakabuda munyika yaChinomukutu
ndokupaza masango voyambukira
mhiri kworwizi Devure kunova
kunyika yavaera Soko. Parwendo urwu
varwi vaifamba vachiguwa makwenzi
nokupinda mumapako aityisa kwazvo
vachitsvaga mukunda wejinda
Chikunichemoto. Varwi vave muzuva
ravo reshanu vakambozorora vari
mumasango aive pedo nerwizi Devure.
Munguva idzi zuva rakange rovavarira
kuchidzokera muna mai varo. Panguva
dzimwe chetedzo, Shuviro aiti

265
akambonzonza ombofamba,
onzonzazve kuri kuitira kuti zuva
rizodya mukope ayambuka rwizi
Devure. Izvozvi akange achiri
mumasango omunyika yaMambo Jena.
Shuviro akaramba aine kufamba
kwake kwokuti akambonzonza ofamba
kudzamara ave mumateru
okundopinda murwizi Devure.
Panguva idzi akabva anzwa mazwi
evanhurume aiti hiri hiri ari mberi
kwake. Mhandara yakati dzwii meso
achitsvaga mativi ose kuri kutsvaga
kuti mazwi avanhu aainge anzwa aibva
papi chaipo. Mukutsvaga kudaro, meso
aShuviro akasanganidzana nechikwata
chevarume vainge vakagara paruware
266
rwaiva musango umu. Vamwe
vevarume ava vainge vakarara zvavo
nemanhede uku vachidya zvavo nyaya.
Hana yake yakachitanga kutinhira ava
kutya kuti vanhu ava vaiva vana ani.
Mukunda waChikunichemoto uyu
akabva ati zano nderipi ndiye tsau ave
kumira ahwanda nemakwenzi
oMukwingwiziri ainge akazara
musango iri. Paaive akamira aiona
zvose zvaitika kwaiva navarume vaya
asi mashoko avaitaura aisamanzwa.
Shuviro akahwanda kudaro akaona
mumwe wevarume vaye achiti
kwanyanu ndiye nyahwa nyahwa
achinanga pamakwenzi aaive

267
akahwanda nawo. Museve womurume
uyu wainge wakanzi paikire pamukutu
uku wagadzirira kudenhutswa. Hana
yaShuviro yakawedzera kurova
nokuku dikita richiti teu teu nokutya.
Murume uya akasvika pamakwenzi
aye ndokuramba achipinda pakati
pemakwenzi kusvikira ave pedo pedo
naShuviro. Meso ake ainge akangoti
twitwi mberi chete achiita seane
chaaiona.
"Tsi-tsi-tsi-tsi-tsi heyo nyama."
Murume uya akadaro achiregedza
museve uyo wakandosvikoti tyu-u
muhuro memhara yaizvifurira zvayo
iri chinhambwe kubva pamakwenzi

268
aya. Mhara yakachema ichisvetukira
mudenga ndokuzoti pasi pu. Vamwe
varume vaive vasara paruware rwuya,
zvavakaona mhara yadonhera pasi
vakamhanyira kwayaiva nemiseve
yavo ndokusvikoivhiya. Uya akange
apfura mhara akabva pamakwenzi aye
achizvikuza achiti, "Ndinonzi
Hwemahwembwa ini. Ndinofemba
chero nenyoka iri mhiri kwaDevure
uko! Ko, iwo museve mauona here?
Ndanyatsouti denhu, museve
ndokuridza muridzo uchindoti muhuro
zete. Zvokuvhima ndezvedu isu
vanaHwemahwembwa. Vhiyai!
Vhiyai, tiwane kuvata tichitsengerera
yakagochwa nhasi." Akazopedza
269
kutaura asvika paiva nevamwe vake
vakange votopedza kuvhiya mhara iya
vachishandisa miseve nemapakatwa
avo.
"Zvako zvinotevedzerwa here iwe
Hwemahwembwa? Wakatemerwa
muti wokufemba mhuka chete iwe.
Unoti dai zvisizvo mhara iyi ungadai
waiona nekurara nemanhede
kwawainge wakaita kuya?
Chirimundiro akadaro, vamwe vake
ndokupwatika zvavo nokuseka. Vose
vainge vofarira kuti musi uyu
vaizorarirodya nyama yakagochwa.
Mumwe murume aiva apa akabva ati,
"Ko, wadiniko watifembera hwema
270
hwaShuviro tizive kwaari. Ini
zvokuchasweropaza masango
zvandirukutisa ini."
Zvikanzi naHwemahwembwa,
"Hwema hwaShuviro ndiri
kutohunzwa izvozvi. Ari pedo pedo
nesu kutaura kuno. Handiti ndini
nyakutoti ngatiyambukirei mhiri kuno?
Shuviro hatidzokeri tisinaye. Mira
zvenyu muone." Zvaaitaura kudaizvi,
Hwemahwembwa ainge achigara
pamusoro pedombo raiva panzvimbo
iyi saka mashoko ake aitorwa
nemhepo achindoti ngori munzeve
dzaShuviro. Shuviro zvaakanzwa
mashoko aHwemahwembwa

271
akavhunduka zvikuru. Akambobatwa
nepfungwa yokubuda mugwenzi riye
achitiza asi akatya kuonekwa nevarwi
ava. Chaakangokwanisa kuita chete
kugara pasi ari mugwenzi riya uku
makumbo ainge asisina kana nesimba
rose.
Chirimundiro akakuvara zvake
nokuseka mashoko aHwemahwembwa
ndokuchizoti, "Watanga n'yambo
dzako Hwemahwembwa. Dai waigona
kufemba hwema hwaShuviro
waizotisiya tichirasikira kunyika
yaChinomukutu here? Iti uri kutifadza
zvako nen'yambo dzako. Iko nhasi
tamboseka."

272
"Nharo ndidzo dzinokukundawo iwe
Chirimundiro. Chimbosiya zvenyama
izvo unditevere." Hwemahwembwa
akadaro, ndokuti janhu achidzika
padombo riya. Akachitungamirira
Chirimundiro voita sevoenda kwaiva
naShuviro. Shuviro zvaakaona varume
vaviri ava vakamunanga akavhunduka
zvokusvika pakunyorovesa
nhahwamaringa dzake.
vanaHwemahwembwa
naChirimundiro vakazonyenyeredza
makwenzi aive akaputira Shuviro aye
ndokunomira vave seri kwawo.
Hwemahwembwa akachiti, "Tarisa
pachimuti chiri pamusoro pedombo iro
undiudze kuti uri kuonei." Izvozvi
273
aitendeka divi raive nezidombo ziguru
kwazvo. Pamusoro pezidombo iri
paiva nechimuti cheMushavhu chaive
chakapfumbvutira.
"Munhuka ari kuti rezu rezu uyo?
Anenge ave nemazuva ari ipapo uyo.
Tarira zviri kuita magora kani.
Ndambozwa ruzha rwemagora ndikati
zvimwe aona nyoka, nyamba ari
kurwirana nyama ipapa. Handei
tinoona kuti ndiani." Chirimundiro
akadaro ndokuti danhu danhu achitsika
pamusoro pematombo kudzamara ave
pazidombo raiva neMushavhu riye.
Hwemahwembwa akateverawo achiita
zvimwe chetezvo ndokuzonomira ave

274
padivi paChirimundiro. Varume
vakachiti ndee mutumbi
wemunhukadzi wakange wafunuka
ganda rose rekunze. Nhahwamaringa
dzainge dzakambopfekwa
nomushakabvu dzakange dzadonhera
pasi. Nhunzi dzaingovawo nzi-i nzi-i
panhahwamaringa dziye.
Chirimundiro naHwemahwembwa
vakamboita kanguva pasina ataura
nomumwe. Vose vaingova nepfungwa
yokuti mutumbi uyu waiva waShuviro
chete, asi hapana akange achida
kuzvireva. Chirimundiro ndiye
akazotanga nokubvunza achiti, "Zvino
todini?"

275
Zvikanzi naHwemahwembwa, "Ini
ndinofunga kuti tidane vamwe vose
vauye vazoona mukadzi uyu. Mukadzi
uyu anoita saShuviro chete."
"Pakuti ndiShuviro handipokani newe
ipapo. Ndinofunga kuti ndiye atoita
kuti tizororere panzvimbo ino achiitira
kuti timuone." Chirimundiro
akawirirana naHwemahwembwa
ndokuzodaidza vamwe varwi vainge
vasara vachipedzisa kuvhiya mhara.
Varwi vose vakaenda kwavainge
vadaidzwa. Vamwe vakasvikokwira
pazidombo ziguru riya, vamwewo
ndokumira pamatombo aive pedo
nezidombo raive nomutumbi

276
womushakabvu. Varwi vakachitaura
zvaifunga nezvemutumbi
womushakabvu. Vose vakange
vawirirana kuti mutumbi uyu waiva
waShuviro chete. Vamwe varwi ndivo
vaiti vaifanira kuviga mutumbi uyu
musango vozongonosvika neshoko
rokuti Shuviro vakange vakamuviga
musango, asi Chirimundiro
naHwemahwembwa vakarambisisa
pfungwa iyi.
Chirimundiro akati, "Tikasiya
mutumbi waShuviro kuno,
Chikunichemoto achandozviramba
zvokuti mwana wake akashaika. Saka
tinofanira kuenda nomutumbi uyu

277
kumusha chaiko kuitira kuti
Chikunichemoto neveimba youmambo
vazvionere voga zvakawira mukunda
wavo. Kana tikaita izvi chete, isu pedu
tinenge tapedza. Zvokuchaswerotsvaga
Shuviro siku nesikati tiri mumasango
zvinenge zvagumirawo ipapa."
Hwemahwembwa akatiwo, "Ini
ndinowirirana newe mukoma wangu.
Tikasiya mutumbi uyu kuno
Chikunichemoto haandozvibvumi
mberi uko. Potse potse anototi
tizodzokazve kuno kuzotora mutumbi
uyu ndiko kuti azotenda mashoko edu.
Zvino izvozvo zvikazoitika, handiti
tinenge tazvipa basa kaviri nhai

278
varume?" Vamwe varwi vose
vakagutsurira musoro vaona kuti
Chirimundiro naHwemahwembwa
vainge vaine pfungwa yakanaka.
Shuviro aiinzwa zvake nhaurirano
yose iyi, asi ainetsekana kuti oita sei
chaizvo kuti varume ava vasatutana
nomutumbi womutorwa. Shuviro
akambobatwa nepfungwa yokubuda
pachena kuti aonekwe nevarwi ava asi
chinhu chimwe chaakatya ndechekuti
varwi vaizomubata voenda naye kuna
baba vake. Chimwezve chaakatya
ndechekuti zvimwe vokuvaera Nyati
vainge vonetsera mukadzi wavo saka
hama dzake dzaida kuti atsvagwe

279
kusvikira awanikwa kuitira kuti iye
azotonhodza dzivo revaera Nyati.
Zvose izvi zvakaita kuti Shuviro
arambe akangoti kwati kwati
nemakwenzi achitapa zvose
zvaitaurwa navarwi vaHera ava.
Mushure mokunge varwi vawirirana
kuti vaende nomutumb kunyika yavo.
Vakaita chirwiragwe vamwe
vachikumura zigwande ziguru kwazvo
raiita kunge mukoko. Vamwewo ndivo
vaidzikisa mutumbi womushakabvu
kubva mumuti. Vamwe varwi vatatu
ndivo vaiva shina shina vari kumoto
vachikocha nyama.

280
Mushure mokunge gwande
rakumurwa, rakaunzwa paiva
nomutumbi ndokutanga mawaridzwa
mashizha oMuvengahonye
nooMuremberembe kuitira kuti nhunzi
nehonye dzitamhire kure nemutumbi.
Hwemahwembwa akarukawo hata
mbiri achishandisa chitsvatsva chaiva
musango iri. Hata idzodzi ndidzo
dzakashandidswa kuvhara mativi ose
ari maviri ezimukoko rainge raiswa
mutumbi riye. Izvi zvapera,
vakasungirirazve uswa hwechitsvatva
nemashizha oMuvengahonye kunze
kwezimukoko riye. Varume vakange
vave kuchitogadzirira kuchitangisa
rwendo rwokudzokera kwavo.
281
Zvokucharara musango musi uyu
vainge vawirirana kuti zvainge
zvisingachabudi. Vainge voda kurara
vachipaza masango kutitira kuti
vandosvika nemutumbi usati
wanyanyoshata.
Kuzoti zvose zvapera, varwi
vakasumudza zvombo zvavo, vamwe
ndokubatirana mhanda yainge
yazoiswa zimukoko rainge rakatakura
mutumbi womukabvu. Varume
vakapinda munzira vodzokera kwavo.
VaShuviro vangu vakangosara
vachinetsekana mupfungwa dzavo.
Vaizvibvunza vachiti, "Saka vekwangu
vachatotenda kuti ndakafa ini? Ko

282
ndikazodzokera kumusha ikoko
vachandoti chii? Handiti vachatoti
ndiri chipoko chinofamba zuva
rakacheka nyika? Zvino ndoita sei
apa? Ndoteverwa varwi ndovaudza
kuti ndiri mupenyu? Asi ko,kana
vakazondibata zvinozondoguma sei?
Ini zvokuendeswa kuvaera Nyati
ndizvo zvandisingadi chete. Zvino
ndodini......?" Mhandara
yakazvibvunza mibvunzo yose iyi
yagara pamoto wainge wasiiwa
nevarwi vaye. Izvozvi ainhongerera
zvinyama zvinge zvadonhera pasi
achidya zvake.
CHITSAUKO 14

283
Shuviro akasara opaza masango
achiyambukira munyika yamambo
Chinomukutu. Musikana akange
aondoroka nokuku ainge asviba kuti
tsvaa netsvina zvokuti runako rwese
ruya rwainge rwatorwa nesango.
Achindosvika munyika yaMambo
Chinomukutu, vanhu vazhinji
vakaramba kumugashira pamisha yavo
vachiti musikana uyu aigona kunge
achipenga. Imwe chembere ndiyo
yakazomugashira ndokumbogara naye
pamusha payo kwemazuva maviri.
Chembere iya yakazobvisa Shuviro
pamusha payo yomuendesa kumuzinda
kwaMambo Chinomukutu.
Vakadungamidza chembere iya
284
naShuviro vonanga kumuzinda
wamambo.
Vachindosvika kumuzinda, mambo
Chinomukutu vakashamiswa kuona
chemberemukweguru yenyika yake
ichipinda mumuzinda make mukati
mezavivi rezuva raipisa kuita
serichatungidza mashanga echibage
aive muminda yevanhu venyika iyi.
Mambo vakadanidzira vakagara
pachigaro chepadare chavo vachiti,
"Ndimbuya Ziendanegore here avo,
vanosvika pano nokunopisa kudai?
Kwaiteiko kumupata weRenje
zvasimudza mbuya vangu kuti
vazosvika kuno kudai?"

285
Mbuya Ziendanegore vakati ge ge ge
kuseka vachisiya mavende ayo ainge
azara mumuromo mechembere iyi.
"Iwe Chinomukutu unotsvinya
haikona. Wakapedzisira kusvikawo
rini kumupata weRenje waunobvunza
uyu? Handiti haudi hausvikako uchiti
Mbuya Ziendanegore vanoroya.
Ndinenge ndichikunzwai zvangu
muchiti ndakadya vana vangu zvose
nevazukuru." Chembere yakatizve ge
ge ge ndokuti pasi gada.
"Zvambuya Ziendanegore vakomana.
Ndiani anopumha mbuya vangu uroyi
ndimuripise nhasi chaiye? Ko uyu
musikana wamunaye ndianizve nhai

286
mbuya?" Mambo vakadaro vakabata
tsvimbo yavo youmambo muruoko.
"Ndiye atondisvitsa pano mwana
iyeye. Zvanzi ndinobva kuvaera Shava
vemhiri kwaNyazvidzi uko. Anoti
baba vake vakamuzvarira kuvarume
vaasingadi zvino iye anoti akatobva
achiita zvokutiza kumusha kwavo
ikweyo."
"Zvino azosvitswa nani kumusha
kwenyu nhai mbuya?" Mambo
vakadaro vachibata mbuya
Ziendanegore muromo.
Zvikanzi nambuya Ziendanegore, "Ati
ari kutsvaga pokupotera, zvino ini
ndaona kuti ndikagara naye iwe
287
Chinomukutu usingavi akazowana
chinomuwana handiti munozotizve
ndini ndakamudya?."
"Zvino munoti ipo pano ndipo pasina
chinozomuwana here nhai ambuya? Ini
ndaifunga kuti sezvo mangosara muri
mega kumupata uko maigona kutora
musikana uyu kuti mugare naye hunge
iye achizvibvuma. Izvi hazvina
mumwe anozokubvunzai nekuti ndini
mambo ndinenge ndadaro." Mambo
vakadaro zvavo vachinyemwerera.
"Wandibvira nepi Chinomukutu?
Izvozvi ndizvo zvandaingoda kuti
ureve nomuromo wako uyu.
Zvawatotaura kudai chirega tichifamba
288
kuchakachena tisazodyiwa nezvipoko
zvekumupata weRenje uko." Mbuya
Ziendanegore vakati bu bu bu
ndokusimuka vachiridza kamhere
vachichema negumbo ravo iro rainge
rave nemakore richivanetsa. "Ndaenda
ini Madyira!" Chembere yakadanidzira
yave kubuda muchivanze chedare
ramambo. Shuviro aingova shure
zvake achifamba zvishoma
nezvishoma kuri kutevedzera nhanho
dzambuya Ziendanegore. Chembere
iyi yainge yakura zvokuti kufamba
yainge yoita zvishoma nezvishoma
kukava kufamba kwekamba.

289
Kunyika yamambo Hera chikwata
chaChirimundiro chakange
chachizosvikawo pamuzinda
wamambo. Zimukoko raive
nemutumbi waifungirwa kuti waiva
waShuviro rainge rakaiswa
pahwanyanza hwainge hwakaiswa
pamafudzi evarwi vana. Chirimundiro
ndiye akange ari mberi, varwi vainge
vakasenga hwanyanza vachimutevera.
Vachindopinda mumuzinda,
Chirimundiro akaraira kuti varwi
vainge vakasenga mutumbi vamire
kunze kwechivanze iye
achimbondosuma mambo neveimba
yavo mafambiro avainge vakaita
parwendo rwavo. Chirimundiro
290
akakanda nhanho achienda padare
ramambo apo painge pakagara mambo
nevemhuri yake. VaChizeze
naChikunichemoto vaivapo padare iri.
Chirimundiro akasvikoti pfumo rake
tibvu muvhu ndokugwadama nebvi
rimwe achibvunza mambo mufaro.
"Tibvunze utano Museyamwa."
"Tiri zvigwindiri muzukuru. Makadini
mumasango mamabva umu?" Mambo
akadaro achibatsirwa kurova nondo
nomunin'ina wake Chikunichemoto.
Zvikanzi naChirimundiro, "Midzimu
yakatifuratira Museyamwa.
Zvataifunga kuti ndizvo zvatichawana
mwana wenyu ari handizvo
291
zvatakandosangana nazvo. Shuviro
akaenda kwanyakurova...."
"Baba vangu Nhuka iwe! Chinyiko
chakabvisa mwana wedu panyika
pano?" Mambo Hera vakadaro
vakatarisa Chirimundiro. VaChizeze
ndivo vainge vongoti pfiku pfiku
nokurwadziwa. Simba rokupangura
mhere vakange varishaya. Mwana
wavo Chikunichemoto ainge angoti
pasi tsiki tsiki achingoti akati gare gare
odzungudza musoro.
"Zvichazihwa nani mambo wangu.
Takazongoona mwana akati rezu
muchimuti chomushavhi chaiva
mumasango okuvaera Soko uko.."
292
Chirimundiro akadaro ndokuzonzi gwi
naMambo vainge vabvunzazve.
"Zvino mamusiyako here kana mauya
naye kuno?"
"Tinaye pano mambo wangu. Ndiye
ari muzikoko rine varwi
iro..," akadarozve Chirimundiro.
vaChizeze vakabva vati vhizu
pavakanzwa mashoko aChirimundiro.
Vakachiti, "Ko unouya mumusha
muno nemutumbi wemunhu akafa
nokuzvisungirira hauzivi kuti zvinoera
izvi Chirimundiro? Chinyiko chaunoda
kutiitira pamusha pano iwe?"

293
"Ndiko saka ndati varwi vamire kunze
kwechivanze ambuya." Chirimundiro
akapindura achakangopfugama.
Achingopedza kutaura VaChizeze
vakabva vati paru mhere yakandotunga
pamusoro pegomo reChiurwi iro raiva
pedo nemusha wamambo. Nenguva
pfupi muzinda wainge wazara nevanhu
vainge vauya kuzonzwa kuti mhere
yainge yaridzwa yaiva yei. Vazhinji
vavo pavakanzwa nezverufu
rwaShuviro vakahwihwidza
zvakanzwisa tsitsi. Kana vari samai
vaShuviro, VaZengezayi,
vakazvipunzira pasi vachibongomora
mhere yokurwadziwa. VaZengezayi

294
vakange vabaiwa kusvika pakati kati
pemoyo wavo.
Setsika yakabvira makarekare yokuti
mutumbi womunhu afa
nekuzvisungirira hawaipinzwa
mumusha, mutumbi waifungirwa kuti
waiva waShuviro wakatekwatekwa
woendwa nawo musango
mawaizondochererwa guva. Vasvika
musango maizocherwa guva, Jemedza
hanzvadzi yaShuviro ndiyo yakatema
rukarwa rwepaizocherwa guva
romushakabvu. Mushure mezvi
varume vakachibatsirana kuchera guva
remushakabvu zvokuti nenguva pfupi
guva rakange rapera kucherwa.

295
Varume vakachibatira zimukoko raiva
nemutumbi womushakabvu
voridzikisa muguva. Muguva
makaiswawo mugoti uyo wainzi
waizoita kuti mushakabvu
asazodzokera vapenyu sezvo akange
afa asina kumboita mwana.
Nhahwamaringa dzainge dzakasiwa
naShuviro kumba kwavabereki vake
dzakaiswawo muguva kuti dzivigwe
pamwe naye. Hapana kana chaShuviro
chakasara chiri kuvapenyu nokuti
zvainzi nhumbi dzemunhu
azvisungirira dzaifanira kusagoverwa
kuna ani zvake.

296
Kuzoti zvose zvainzi zvaifanira
kuvigwa nemushakabvu zvaiswa
muguva, guva rakachivharwa
nemahwendefa ematombo
ndokuzoiswa ivhu pamusoro. Zviya
zvokuti paguva romushakabvu paiiswa
hari pamusoro peguva mushure
mokuviga mufi hazvina kuitwa paguva
iri. Vose vakuru vaivapo vaiti Shuviro
ainge asina kukodzera kuzondobikira
vari mberi sezvo ainge aita chinhu
chaishoresa mutsika dzavatema,
chokufa nokuzvisungirira.
Vanhu vakachizodzokera kumuzinda
mushure mekuviga mufi. VaChizeze
vaifambira vari shure vachingopfikura

297
nokurwadziwa. Chembere yakazoti,
"Asi Shuviro haaendi asina
kundioneka hazviiti kani. Shuviro
mupenyu muchamuona zvenyu ouya
musha muno." Izvozvi chembere
yaitaura ichirwadziwa norufu rwainzi
rwaiva rwomuzukuru wavo urwu.
Imwe chembere yaifambira pedo
naVaChizeze yakabva yavagama yoti,
"Mashoko iwayo haataurwi mbuya
Chizeze. Munodzosa mwana mumusha
akazotinetsa mangwana. Regai mwana
afambe zvakanaka andosangana
namadzitateguru ake."

298
"Sahwiraka, mwana takamutadzira
uyu. Handifungi kuti angaenda tisati
tagadzirisa daka raainaro nesu. Kana
ari wekuzomuka achitinetsa
muchazviona zvenyu, hezvo ndiri
pano." VaChizeze vakadaro ndokuti
hihihihi vave kuchema. Shungu
dzokuenda kwomuzukuru wavo
dzakange dzavaputira zvino.
CHITSAUKO 15
Mupata weRenje wainge uri pakati
pemakomo maviri. Zvaiti gomo
reDambiranungu raiva kurudyi,
kuruboshwe kuine gomo
reMutenhuswa. Makomo maviri aya
aiva dambiro rezvikara zvesango
299
zvaisanganisira shumba, ingwe,
mapere, nenyoka. Pakati pemakomo
maviri iwayazve ndipo paive nemusha
wambuya Ziendanegore. Chembere iyi
yakange yave shirikidzi isisisina vana
nevazukuru sezvo vose vainge
vakapera kufa nendufu dzaisazihwa
midzi yadzo. Firo yevana vambuya
Ziendanegore yakaita kuti dzimwe
mhuri dzaimbogarawo mumupata uyu
dzitamire kumativi akasiyana siyana
kuri kutyira kuti zvainge zvakawira
chembere iyi zvaigona kuzovawirawo
naivo. Vazhinji vavo vakatama
neshoko rokuti vainge vachitiza
zvikara zvesango izvo zvavaiti zvainge
zvarura nekudya zvipfuyo zvavo, asi
300
aya aingova mashoko emanyepo oga
oga. Hongu zvikara zvaipota
zvichipinda mumatanga nemuzvirugwi
zvembudzi dzavo asi izvi zvaiitika
nenguva dzaiva kure kwavo.
Nechemumoyo mavo, vavakidzani
vambuya Ziendanegore vaiti mbuya
Ziendanegore vaiva neshavi
rokusabvarura jira. Vaitizve chembere
iyi yainge yakazvidyira murume, vana
zvose nevazukuru vayo. Chokwadi
chazvo zvose zvainge zvakawira
kumhuri yechembere iyi hakuna
mumwe aichiziva. Murume wambuya
Ziendanegore ndiye akange atanga
kuenda nyikadzimu tevevere vana
vavo vose ndokuzopedzisira
301
nekuvazukuru. Zvaingoti arumwa
nenyuchi kana igo ongoti musoro
musoro ndiye sarai. Izvi hazvina
kunzwisisiwa nevavakidzani vambuya
Ziendanegore ndokubva varongedza
zvavo zvose vosiya misha yavo
yemumupata weRenje vachindotanga
zvitsva.
Mushure mokunge vavakidzani vavo
vatama, mbuya Ziendanegore vakapika
vachiti havaizosiya guva romurume
wavo iro raiva pedo nechivanze
chomusha wavo. Vakati vachagara
mumupata weRenje kusvikira vatevera
kwakaenda harahwa yavo. Chembere
yakasara zvayo ichigara iri yega

302
mumupata muye. Zvirehwarehwa
zvakawandazve vanhu voti chembere
iyi yaiwanepi ushingi hwokugara yega
mumupata waityisa kudaro. Vamwe
ndivo vaitaura vachiti chembere iyi
yainge yava kuwana mukana
wakakwana wokuswera namakona ayo
okuroya pasina mumwe anoivhiringa.
Vamwewo ndivo vakatanga kufambisa
mashoko okuti mbuya Ziendanegore
vainge vamboonekwa vakagara
pamusana webere zuva rakacheka
nyika, asi utaurwa hwese uhwu hauna
kubvisa mbuya Ziendanegore
kumupata weRenje.

303
Zvirehwarehwa zvakamboti tonho
vanhu vambokanganwa
nezvechembere iyi. Kufamba fambawo
kwambuya Ziendanegore kwainge
kwava kushoma sezvo vakange
vonetswa nechirwere chemakumbo.
Kutaura kwevanhu kwakadzokazve
nekuzogara kwakaita Shuviro pamusha
pechembere iyi. Vamwe vaingotaura
vari kure nemusha wambuya
Ziendanegore vachiti Shuviro abve
pamusha uyu sezvo aigona kuzourawa
nechembere iyi. Vamwewo ndivo vaiti
Shuviro ainge ave kuzotemerwa uroyi
nambuya Ziendanegore. Izvi zvakaita
kuti vabereki vazhinji varadsivise vana
vavo kutamba naShuviro. Shuviro
304
akambotanga achaenda kudambiro
revasikana asi paaingosvika chete
vamwe vasikana vose vaibva vasimuka
vave kudzokera kumisha yavo.
Dzimwe nguva Shuviro aizoona
vasikana vaye vagarazve vave kure
naye. Izvi zvaimutaridza kuti ndiye
ainge atizwa nevasikana vaye. Shuviro
akachitanga kupedza nguva zhinji ari
pamusha pambuya Ziendanegore
asisina kumwe kwaaienda kunze
kwekutsime kana kuti kuhuni. Izvi
zvakaitawo kuti asambosangana kana
kunzwa nezvaMandidenha sezvo
mupata weRenje waive kure kwazvo
nekwaiva nenhika yaiitira Mandidenha
basa rake.
305
Iyewo Mandidenha kubva zvasvika
varwi vaHera munyika mavo
vachitsvaga Shuviro haana kuzosara
achivhima mhandara iyi
sezvaaisimboita pamazuva aakabuda
mumaoko aHera nevanhu vake.
Mandidenha ainge ongopedza nguva
yake zhinji achitsvaga mhangura uye
kugadzira zvombo zvevarwi vamambo
Chinomukutu. Mune rumwe rwendo
rwake rwokundotsvaga mhangura
akapfuurawo nepamusha paVaChizeze
achida kuziva kana Shuviro ainge
akazowanikwa. VaChizeze
vakatsanangurira zvose zvavaiti
ndizvo zvakawira muzukuru wavo.
Vakati, "Midzimu yakatifuratira
306
muzukuru. Mwana wemwana wangu
akaenda kusingadzokwi.
Kwanyakurova chaiko. Shuviro
akazongowanikwa akazvisungirira
musango repedo nekwenyu ikoko.
Shungu nepfungwa ndizvo
zvakamutuma kuita matindike adai
kutibvisa chimiro nhasi uno. Asi
nesuwo pamusha pano takaita chinhu
chakashata kwazvo. Mwana
takamutadzira uyu muzukuru."
Misodzi yakati njere njere mumaziso
aVaChizeve. Yakachizoti yerere
yobuda muzvikomba zvemaziso aye
ndiye do do do ichiwira pasi.

307
"Zvino makazomuchengeta zvenyu
zvakanaka here?" Mandidenha akadaro
achitaridza kurwadzikana kukurusa.
"Hon'o, basa rakabatwa zvaro
zvakanaka." VaChizeze vakadaro
ndokuzotizve, "Akaenda asina
kukuoneka Shuviro wako muzukuru.
Ndinoziva zvinorwadzwa, asizve ziva
kuti uri munhu wemurume iwe.
Haufaniri kudonhedza misodzi pasi
sezvatinoita isu vemoyo mutete.
Shinga muzukuru wangu, uregerere
nesuwo pakutadzira kwatakaita
nyakuenda uyu. Uregererezve navose
vakakutadzira shure kwaunobva uko.
Ukaita izvozvo Mwari navadzimu

308
zvinokuchengeta mumasango
maunofamba umu." Izvozvi
VaChizeze vainge vazoona misodzi
yakange yajenga mumeso
aMandidenha.
"Ndinotenda ambuya nemashoko enyu,
asi zvinotidzimba kusvika kutsi
kwemoyo chaiko. Ndichaita sokuraira
kwenyu ambuya. Chiregai ndifambe
kuchakachena kudai." Mandidenha
akati bu bu bu ndiye kwanyu ave
kubva paainge akagara. Akati wenyere
wenyere obuda muruvanze
rwaVaChizeze. Kunzwa nezverufu
rwaShuviro kwakange kwamusveta
simba rose remuviri wake.

309
VaChizeze vakazodanidzira kuna
Mandidenha uyo akange atova kunze
kwomusha wavo vachiti, "Ufambe
zvakanaka muzukuru," asi
Mandidenha haana kupindura.
Pfungwa dzake dzakange dzava
bararamhanya kuri kudzeya mashoko
akange apedzisira kutaurwa
naVaChizeze. Mashoko okuti
Mandidenha aifanira kuregerera vose
vainge vakamutadzira akatenderedza
Mandidenha musoro. Izvi zvainge
zvoreva kuti kana aizoregerera vose
vainge vakamuitira chitema aifanira
kuzoregererawo naPorunobva
neveimba yake. Izvi akaona
zvichimuremera. Chakanyanya
310
kumunetsa ndechekuti aizogura sei
mhiko dzaMutemarege. Mhiko
dzakange dzoonesa Porunobva nehama
dzake nhamo tsvuku yainge mhiripiri.
Ndidzozve mhiko dzakange dzongoita
kuti ngozi dzitapuriranwe senhata
dzomuzumbu rehuku.
Parwendo rwaMandidenha
rwokundotsvaga mhangura
aingozvibvunza achiti, "Zvino
ndikazoregerera wakandirozva
mukaranga wangu ini ndinozowanei?
Handiti ndinofanira kutoripwa
nemumwe mukadzi uye mombe
dzinotsika?" Aizomboitazve
seozvipikisa achiti, "Asi mbuya

311
Chizeze vanenge vauya nedama
rakanaka mhani. Ndosvika riini
ndakasungirira chigumbu mumoyo
mangu? Vanhu tose tinotadza
nokudaro tinofanira kunzwisisana
nekuregererana. Tikasadaro chete
tinozvipedza pachedu nekurwisana
nekuda kwenyaya dzinotauriranwa
dzichipera idzi. Zvino yewokundirozva
mukaranga wangu iyi ndichaifambisa
sei zvino? Handiti mbuya vati
ndikasadaro Mwari nemudzimu
zvichandifuratira? Asiwo
ndikamuregerera mhiko dzepfumbatwa
yaMutemarege ndichazoifambisa sei
zvakare? Baba nevamwe vose
vanofanirawo kutobvuma
312
zvokuchiregerera murume
wokundibvutira mukaranga wangu
uyu? Asi, ko, vakazviramba,
ndichazoita sei? Ndoenda
kwaMutemarege ndiri ndoga? Mirai
tione. Asi havafaniri kuramba izvi
mhani. Mwene wenyaya ndini
nokudaro vanofanira kusapokana neni.
Ndichavanzwa kana ndasvika
kumusha ikoko chete." Mandidenha
akazuwa zvose izvi kwemazuva aainge
ari kure nenyika yavo uko kwaaitsvaga
mhangura.
Kumushawo kwaVaMarufu, nyaya
yaChegomo yakange ichifambiswa
negwara rakanaka. Chegomo akange

313
azonzi ambobva kubako kwaaigara
achizogara pamusha PaVaMarufu. Izvi
zvainge zvaitira kuti nyaya yake
ikurumidze kufambiswa pasina
kumboti iye Chegomo ainzi anenge
asati asvika. Chegomo akawirirana
nazvo ndokugara zvake pamusha
paVaMarufu. Mumazuva iwaya
tsvimborume yakamboti pembenu
zvokuti vazhinji vakatomboramba kuti
ndiye Chegomo wavaiziva uya.
Kugara kwakaita Chegomo pamusha
paVaMarufu kwakaita kuti
tsvimborume iyi itange kufambidzana
naPorunobva munzendo dzokuenda
kundovhima. Nguva zhinji vairashikira
kumasango emberi kwemakomo
314
eChirwirangwe chaiko. Kumasango
iwaya kwaive nemhuka zhinji kwazvo.
Mumazuva mamwechetewo VaMarufu
naVaNdoringepi vakange vave
kuchipedzisa kukwenenzvera
mafambisiro avaizoita nyaya
yaChegomo kubvira mukutsvaga
madzisekuru aiye Chegomo kusvikira
Chegomo azopedza kutanda botso.
Mukukwenenzvera kwaiitwa uku,
Chegomo naPorunobva havana kumira
kusutsirwa masango. Mashavi avo
ekuvhima akatoita seakange
achangobva mukubikirwa doro zvokuti
pamusha paVaMarufu painge potoita
sepaive nomugodhi wenyama.

315
Mukusutsirwa masango kudaro,
Chegomo naPorunobva vakapedzisira
voita nyama yokusarudza. Vaiti
vakasangana nemhara kana nhoro
vaisabaya vachiti nyama yainge
ichigere kupera mumusha mavo. Izvi
zvakaita kuti varume vaviri ava
vayambukire kumakomo ekunyika
kwaChinomukuti uko kwavaiti
kwaiwanikwa nungu nenjiri. Nerimwe
zuva vakapaza masango voyambukira
kumasango emhiri kwaChinomukutu
aye. Musi uyu masango akange
akaoma zvokuti havana kana mhuka
yavakamutsa. Imbwa dzaPorubva
dzakatopedzisirawo dzoita
sedzaisagona kuvhima ndokuti dzainge
316
dzongomhanyisa nemagwereveshe
seanodyiwa nyama. Vakafamba
mitunhu ndokuzondozorora vave
panhongonya pegomo
reDambiranungu. Varume
vakambogara pakaruware kaiva
mugomo iri voronga kuti voita chipi
nechipi. Chegomo ndiye akazounza
pfungwa yokusiya vasosera misungo
nemikuni mugomo iri. Porunobva
haana kupikisana nazvo. Vakabva
vachitanga kuti pose paita mwanza
voteya musungo, pamwe vodzimikira
mukuni. Izvi vakazviita kwenguva
ndefu ndokuzopedzisira vave seri
kwegomo iri. Izvozvi vaingoteya
chete.
317
Pavakange vave mujinga megomo iri
Chegomo akanzwa kuti pwa
nechemberi kwake ndokutanga
kunyahwaira zvishoma nezhishoma
achienda kwainge kwabva noruzha
rwuya. Izvozvi ainge atobaira museve
pauta. Porunobva haana zvaakanzwa
kana kuona sezvo akange achiendawo
nedivi rake ega. Chegomo akati
nyahwa ndokundomira azendama
nedombo raive mujinga regomo iri.
Akanzwazve kuti pwa ndokudongorera
seri kwedombo riya wanei kune
mhandara inozvitezera huni. Mhandara
iyi yaitova zvayo murima rokusaziva
kuti paiva nevanhu pedo nayo.
Chegomo akamboita somunhu
318
adzimaidzwa ndokuramba angoti tuzu
kumhandara iya. Runako rwaiva
pamhandara iyi rwakamutadzisa kana
kushama muromo kuti aikwazise.
Akadoti, "Maswera sei?" Izwi
ndokuramba kubuda. Akaedzazve kuti
"Mhorozve zimhandara," mazwi
ndokudzika neura. Akazongoti koso,
musikana uya achibva atiwo vhundu
achikandira rukuni rwaainge akabata
kwakadaro uko. Hana yomusikana uyu
yainge yoonekwa ichisimudza
chipfuva chake nokurova. Akange
avhunduka kwazvo. Akaedza kuti
aridze mhere izwi ndokuramba
kubuda. Akaedzazve kuti ati tsvedzu
achidzika mugomo ndokunzwa
319
makumbo achiita seakasunga kuti
shwe. Akangoti befu ture ndiye
pakatombo kaive pedo naye go, meso
pana Chegomo name.
CHITSAUKO 16
Runako rwaShuviro rwakange
rwokododzvora moyo yavazhinji
sapamazuva ake ekare achiri kugara
kunyika yavo. Vhudzi romumusoro
wake rainge riri usvisvi hwebani kuri
kusvibira. Nyora dzemundende
dzaizotiwo natsanatsa dzichitevedza
vhudzi irori. Dzemukupiramvura
dzainge dziriwo mbiri mbiri pamatama
emhandara iyi. Maziso ake aiita
seomunhu anoda kuchema. Tumisodzi
320
twaionekwa twakati sinesine
mumaziso imomo. Mhino yaingewo
yakamira kuti twii somutswi
waVaMatinetsa, nokuku nzeve dzainge
dzakanyatsoti dondane nemusoro
wake. Chipiko chawaishoora
pamhandara iyi. Waizoti ukadzika
pachipfuva chake, waiona chakati
tunduru chiri mujira dema rainge
rakachiputira. Kana waizoramba
uchimutarisa kusvika kutsoka
waishaya kana chokunhonga
chaishoreka pamukunda
waChikunichemoto uyu. Kutaura
chokwadi, Shuviro ainge ari
shongarunako ruva rebani.

321
Runako rwese irworu rwataurwa
pamusoro ndirwo rwainge
ruchionekwa naChegomo panguva
yaainge akangoti ndee pamhandara iyi.
Chegomo akakwenyakwenya musoro
zvenhando ndokuzviudza kuti
mhandara iyi ndiyo chete
yaizomubudisa mugota. Hongu
Chegomo ainge asati ambopfimba
musikana kubva chizvarirwo chake,
asi musi uyu akati, 'ndinosva ndaedza
chete.'
Akatanga nokutsvaira pahuro pake
ndokuti, "Kwaziwai zimhandara. Zita
unonzi ani?"

322
"Kwaziwai. Ndinonzi Shuviro."
Mhandara iya yakadaro pfungwa
dzichikwarakwara pose pose kuri kuri
kutsvaga kumwe kwaaizivira murume
akange amukwazisa uyu. Akamboda
kuti ati aive murwi wamambo Hera,
asi zvakamurambira. Dzimwezve
pfungwa dzakamuti aiva Mandidenha
zvikarambazve. Akamboona sekuti
ndiChegomo, asi akavhiringidzwa
nekushonga kwakange kwakaita
tsvimborume iyi. Chegomo aimuziva
negwema retsvina iro raiti kupfu
zvokuti pose paaifamba aiteverwa
nenhunzi zhinji kwazvo. Chegomo
aimuzivazve nemazivhudzi ayo ainge
akamonana semufushwa wemunyemba
323
waifarirwa nambuya vake VaChizeze.
Zvino apa Chegomo akange aine
mhotsi dzainge dzakagezwa noruvedzo
dzakasvibirira zvokuti dzakarasisa
Shuviro.
Chegomo zvaakanzwa mhinduro
yaShuviro akabva atizve, "Ko seiko
wakapihwa zita rokuti Shuviro iri?
Une shuviro ipiko nhai zimhandara."
"Kutsvene here zvaunonditongesa
sezvinonzi ndakapara ngava kudai?
Zita rangu ndakuudza, zvino chimwe
chawava kudazve kwandiri chinyi
zvowongondibvunza nezvisina maturo
ose?" Shuviro akange oita seatsamwa
zvino. Chegomo akavhiringika kwazvo
324
nemhinduro iyi zvokuti
akatomboshaya kuti opotsera museve
wake nedivi ripi. Tsvimborume
yakambofunga kuti ingoti dyo-o paiva
nenyaya yayo chaiyo, asi akaona
pfungwa iyi sepfungwa yaisava
nemano.
Chegomo akazoti, "Zvaunongoita seuri
wega muno, hautyi zvikara here
musango rakapfumvutira kudai?"
Zvikanzi naShuviro, "Ndingafamba
nani mumwe ivo ambuya vandinogara
navo vakwegura zvokusagona
kufamba? Chero ndikanyatya zvikara
ndiani mumwe anozotitezera huni isu
tichingova vaviri pamusha pedupo."
325
Chegomo akati 'midzimu yandibvira
nepi?' Akabva ati, "Munogoshaya
anokuvigirai rukuni sei iwe uine
runako rwunotosvora meso kudai? Asi
hamuna majaya kani munyika
menyumo? Kana musina chirega
nditotema rukuni ndiwane masvikiro
epana mbuya vako vawataura ava."
Chegomo akabvisa demo pafudzi rake
ndokuribata muruoko rwerudyi.
"Hehehe! Seka zvako mwana womuera
Shava. Unoda kusvika kuna mbuya
uchiti ndiwe aniko? Iro zita rako
unombonzaniko mukomana iwe?"
Shuviro akadaro asi hana yake
yakange yakachangobatwa nekutya.

326
"Ini ndinonzi Chegomo. Ndinogara
kuvaera Soko uko, asi ndiri mwana
wokuVaDuma." Chegomo akapindura,
asi mhinduro yake yakavhundusa
Shuviro zvikuru. Mhandara
yakambobatwa nepfungwa yokutiza
ichidzika mugomo,asi yakatya kuti
Chegomo aizomudzinganisa
akamubata. Shuviro akamboramba
akati nde-e pachiso chaChegomo
achitsvaga kuti chii chakange
chazoshandura Chegomo waaiziva
neutsvina uya. Ndiyezve Chegomo
waaiziva nekungochururuka rusiriri
pose pose. Izvi zvakamunetsa, asi
haana kuwana mhinduro yazvo.

327
Shuviro akazongoramba akati zii asina
kana chaataura.
Chegomo akaona kuti pane chakange
chavhundusa Shuviro, asi haana
kuziva kuti chaiva chii chaizvo.
Akabvotomoka achiti, "Asi wava
kutya kuti ungangosangana nezvikara
zvandareva here? Imo mugomo muno
ndaona semunorura Shumba, ingwe
nemapere."
"Hongu zvikara zvizere mugomo
muno, asizve hazvisizvo zvoga zvikara
zvinotyiwa nomunhu. Hauzivisu kuti
kutoriwo nevanhu vanotove zvikara
pachavo?" Shuviro akadaro

328
achiunganidza huni dzaainge ateza
dziye.
"Izvo ndizvo hazvo, asizve ungada
kubva wandifananidza neshumba
here? Handiti dai ndiri chikara
ndingadai ndatokubvumburudza
kutaura kuno? Chero idzo nyemba
handiti ndingadai ndatokukuyisa
nomusana? Zvino ini handisi chikara
chemhando iyoyo Shuviro. Ini ndinoda
zvokukubudisa munhanga nenzira
yakati twasa kwete yechibvutebvute
inoitwa namamwe majaya iyi."
Chegomo akadaro achiswedera paiva
naShuviro zvishoma nezvishoma.

329
Shuviro akaita zvake seasina kunzwa
mashoko aChegomo okupedzisira
ndokutaura achiti, "Hazvisi zvose
zvikara zvinota bvambubvambu
yaunotaura iyi. Zvimwe
zvinokuvaraidza zvichikuswededza
pedo pedo kuri kuda kuzokusakadza
wavarairwa. Nyoka yeshato inoita sei?
Handiyo inokwevera nhangwa dzayo
pedo ichishandisa muswe wayo here?
Saka ndezvekutongwarira izvi."
Zvikanzi naChegomo, "Inga
wakachenjera Shuviro. Zvose
zvaunotaura wakazviwana kupi izvi?
Ndinofunga kuti chero vekwangu
vakanzwa kuti ndabudiswa mugota

330
newe vanopembera kuita
sevachabvarura dembe."
"Hehede! Iyeni kubudisa ani mugota?
Chegomo chaiye? Chero hama dzangu
dzingasatoti ndakabatirwa midzi
here?" Panguva idzi akange apedza
kuunganidza huni dzaainge ateza
dziya. Chegomowo akange azosvika
pedo naShuviro ndokuchimira zvake
okanda miseve yake.
"Shuviro! Kureva zvizhinji ndokunei?
Ini ndinoda kuti uzondibikira sadza
kumusha kwedu uko." Akadaro
Chegomo achiita somunhu asina
chokwadi nezvaaitaura.

331
"Zvaunotaura izvi wakambozvionepi
Chegomo? Wange watondida
nenguvai isu tangosangana musango
muno? Haunoni kuti mashoko ako
angori ekundiyedza chete?" Kupedza
kutaura kwaakaita Shuviro akatora
makavi omutondo aainge abva nawo
kumba ndokutanga kusunga svinga
rehuni achiteerera zvake zvaitaurwa
naChegomo.
"Chinogutsa chinotanga meso,
Shuviro. Uyezve vakare vakati sadza
naku ibvutidzanwa, ndiko
ndakurumidza kukanda duo mudziva
kudai." Tsvimborume yakadaro

332
ndokupedzisira nokunanzvira miromo
yayo.
"Unondishura chete iwe! Unotoramba
wakamira namashoko ako iwaya uchiti
ndichashandura moyo here? Ini
handikudi napaduku pose. Chero ivo
ambuya vangu vakanzwa kuti ndava
kundobikira Chegomo sadza
vangasaswera vazvisungirira? Vangati
vakapedzerei nguva yavo vachindiraya
zvose nokunditemera nyora
dzemukupiramvura idzi." Shuviro
akadaro, Chegomo ndokuti bwai bwai
maziso ave kushaya kuti orevazve ripi
rimwe. Akamboita kanguva akatarisa

333
Shuviro uyo ainge otopedzisa kusunga
svinga rake.
Chegomo akazoti tsvai pahuro,
miromo nanzvu nanzvu, ndokuchiti,
"Ungabva wataura saizvozvo here nhai
Shuviro? Inga ndingoriwo munhu
akaita sewe wani. Zvino.."
"Ko ini ndamboti hausi munhu here
nhai Chegomo? Ini ndangoti hazvigoni
kuti ndibikire munhu akaita sewe
sadza.." Shuviro akanzi gwishu asati
apedza kutaura nemheterwa yakange
yaridzwa naPorunobva achidaidza
mumwe wake kuti vachienda kumusha
kwavo.

334
Porunobva akange apedza kuteya
misungo yese yaainge ainayo. Panguva
yaakazoridza mheterwa akange
akagara zvake pamusoro pemasvinga
aiva panhongonya pegomo iri.
Chegomo akatiwo mheterwa tsvitsviyo
achiudza Porunobva kuti akange ave
kuuya. Mushure mokuridza mheterwa
Chegomo akati, "Shuviro! Chindipawo
rine muto ndiwane mafambiro
okudzokera kumusha kwedu. Ini
chandinongoda chete ndechekuti iwe
uve mukaranga wangu."
"Chienda zvako kumusha kwenyu.
Handina rine muto
randingambokuudza kunze kwerokuti,

335
'handikudi.' Uri kutozvinetsa zvako
nekuramba uchitaura neni. Zvimwe
unoona kuramba ndiri pano kudai
ukati ndichati, 'Chegomo ndinokuda,'
zvino handimbodaro. Neniwo chirega
ndidzokerewo kumba ndingazowana
ambuya vonetseka kuti ndanonotswa
nei mugomo muno." Shuviro akati
gumbo rimwe gwadagwa
ndokuzvitsigisa svinga riye mumusoro
make. Akati, "Ndaenda, wofamba
zvakanaka Chegomo."
Chegomo akaita seacharidza mhere
paakanzwa mashoko aya. Akati,
"Zvino woenda usina rawandibatisa
here nhai Shuviro. Dai wandipawo rine

336
muto ndazowana madzokero ekuno.
Chero ukanyati ndiuye ndichireva
mashoko andakuudza pano nhasi
pamberi pambuya vako ndinodzoka
zvangu ndichizomareva." Izvozvi
ainge akati ndee achitarisa mafambiro
aiita Shuviro uyo aingoti tsvedzu
tsvedzu achidzika mugomo.
Zvakapedza Chegomo kutaura Shuviro
akati dzwi kumira ndokudanidzira
achiti, "Zvawataura ndazvinzwa
Chegomo, asizve wakamboonepi
matare kwawo achitambirwa kunze
kwemusha. Iwe kana uchirevesa
pamashoko ako ndichakuona nokuuya
kumba kuna mbuya Ziendanegore

337
uko." Apedza kutaura akati tsvedzu
tsvedzu ndiye hoyo pote nezidombo
ziguru, ndiye nyangara.
Chegomo akambosara akatarisa divi
rakange raenda naShuviro achiti
zvimwe aizoonazve Shuviro obuda asi
hazvina kudaro. Akazoti tendeu
ndokukwira kumusoro kwegomo uko
kwaiva naPorunobva. Mukuteya
misungo nemukuni, Chegomo akange
angoteya kashanu chete. Mimwe
misungo yaainge asara nayo akaiisa
munhava yake achiitira kuti Porunobva
asaziva kana kufungira kuti ainge
apedza nguva akagara zvake.
Tsvimborume yakazosvika paiva

338
naPorunobva, varume vaviri
ndokusimudzira nerwendo rwavo
rwokudzokera kumusha kwavo.
Chegomo haana kumbonyeurira
Porunobva zvose zvakange zvaitika
mugomo reDambiranungu iri.
Masango akapazwa varume
vachironga zvavo mafambiro avaizoita
kana vodzokera kundomema misungo
yavo. Mukuronga rwendo kudaro,
Chegomo akati, "Ndinofunga kuti
tisenge upfu hunokwana mazuva
mashanu kuitira kuti tisazoramba
tichiti tikateya tombodzokera kumusha
tozodzokazve kuzomema misungo
yedu. Rwendo rurefu urwu sekuru."

339
"Uri muvhimi akachenjera Chegomo.
Izvozvi zvawataura izvi ndizvo
zvatichatoita. Wauya nezano kwaro
randainge ndisina kana kumbofunga."
Porunobva akadaro akatungamirira
Chegomo vachidzokera kumusha
kwavo.
Shuviro zvaakasvikawo kumba,
akambofunga kuruma mbuya
Ziendanegore zvose zvaange asangana
nazvo mugomo asi akatya. Akagara
zvake achiri kupishana nepfungwa
dzake dzokuti munhu waainge aona
aiva Chegomo waaiziva here kana kuti
aivawo mumwewo zvake. Mhandara
yakazvibvunza mibvunzo yakawanda,

340
asi haina kuwana mhinduro
yakaigutsa. Chimwe chakapedzisira
chomunetsa ndechekuti aizoita sei
kana Chegomo aizouya pamusha
pambuya Ziendanegore. Akazvibvunza
mumoyo achiti, "Zvino
ndinozozvitaura sei kuna mbuya kana
Chegomo akakaruka asvika pano?
Ndovati Chegomo chinyi changu?
Ndoti ishamwari yangu? Ko,
vakandibvunza vachiti ishamwari
pakai ndinozopindura ndichiti chinyi?
Ndoti handimuzive? Ko iye Chegomo
akazotsamwa zvokuti anozodzokera
kumusha kwavo ndinozomuwanepi
kumwe kwandinoziva? Zvino ndodini?
Zvokucharamba ndiri munhanga
341
handichadi ini. Shuviro yangu kuvawo
nemusha wangu wandinozvisarudzira
ini. Chegomo nda muda. Ndinoda
andibudise munhanga chete..."
Pose paaitaura kudaizvi ainge akagara
zvake akatarisa shambakodzi yaikwata
iri pachoto. Mbuya Ziendanegore
vaiona zvavo kuti muzukuru wavo
aiva nezvaimunetsa mumoyo make.
Vakaramba vakanyarara vachiti
achazvidura chete. Mumba
makamboita kanguva makati zii
muchingonzwika shambakodzi
yaingoti tyaka tyaka. Mukati
merunyararo urwu Shuviro akakaruka
ati, "Nhasi zvandasangana nazvo

342
mugomo umo ambuya. Mukati haasi
mashura iwayo?"
Mbuya Ziendanegore vakasumudza
musoro wavo uyo wainge wakamboti
tsiki pasi ndokutaura. "Waoneiko
muzukuru? Kana zviri zviera
zvemakomo usazvireva tingamukirwa
nemidzimu nyika tikapera tose
nenzara."
"Zviera zvipiko zvamunoreva
ambuya? Ndaona mumwe mukomana
ainge akapfeka nhehwe dzenhoro.
Mukomana iyeye ati anobva mhiri
kwaDevure uko. Pamusoro
pokundiudza zita rake nekumusha
kwaanobva abva andipfimba..."
343
Shuviro akabatwa muromo nambuya
Ziendanegore avo vainge vagegedzera
kuseka.
"Zvino kupfimbwa ndiko kwaunoti
mashura here muzukuru? Unoti dai ari
mashura iwe ungadai wakaona zuva
renyika ino iyi? Chikuru ndechekuti
moyo wako wati chii zvawaona jaya
iroro. Kana moyo wako usina
kurifarira hazvina kuipa muzukuru.
Asi kana warida jaya iroro kubva
zvakanaka. Chimwe chandinoda kuti
ungwarire Shuviro ndechekuti havasi
vose vakomana vanorevesa pakutaura
kwavo. Vamwe ndivo vanenge
vachingoda madarikanhumbi chete

344
vobva vanyangarika. Zvino iwe
usaitwa izvozvo muzukuru. Hakuna
nduma inopihwirwa munhu musango.
Kana mada zvekupana nduma ini
mbuya vako Ziendanegore ndiri pano.
Unouya naye mukomana wako iyeye
ndomuonawo kuti munhu akaita sei."
Mbuya vachipedza kutaura, Shuviro
akavatenda chose nerairo yavainge
vamupa. Akazoti, "Iye Chegomo uyu
ndakamuti kana uchirevesa namashoko
ako unofanira kuuya kuno kwete
zvokuti titambire matare musango.
Zvino iye akati achadzoka vhiki rino
risati rapera."

345
Zvikanzi nambuya Ziendanegore, "Iwe
uri musikana akachenjera Shuviro.
Ngaauye zvake. Newe usavhunduka
uchiti mbuya vachandidzinga pano.
Bodo. Ini ndini ndatova hama yako
newewo ndiwe wava hama yangu."
Shuviro akanyemwerera zvake
achinakidzwa nokutaura kwambuya
Ziendanegore. Akazopedzisira nokuti,
"Maita basa ambuya," ndokubva
achimona sadza rakange ranzwa
nokukwata riri pamoto riye.
CHITSAUKO 17
"Sezvo imi vakomana mati
muchanopedza mazuva mashanu muri
musango, chiregaiwo isu tisare
346
tichiunganidza zvose zvatichada
parwendo rwokuenda kumadzisekuru
ako iwe Chegomo. Zvokuti
timbotsvaga kwakaenda Cheneso
tichazozviona kana tambopedza
nenyaya yemuzukuru wedu ari pano
uyu." VaNdoringepi vakadaro
vakagara dare nevemhuri yavo.
Panguva idzi Porunobva naChegomo
vakange vaoneka vachiti vainge
vachambondomema misungo yavo
kumasango emhiri kwaDevure.
Kunyarara kwakaita VaNdoringepi
Murenga akabva ataurawo achiti, "Izvi
zvokuti timirire Porunobva
naChegomo kuti vamboenda

347
kumasango ekunyika yaChinomukutu
handioni zvichibuda ini Mbereka.
Tadini tangochibatana tose toenda
kuvaera gumbo uko, ivo vozoenda
kundomema zvavo misungo yavo kana
tichinge tapedza nezvekumadzisekuru
aChegomo uyu. Handizivi kuti
munopaonawo sei vana vanababa?"
"Zvamataura hazviiti sekuru. Madini
matitendera tandomema misungo yedu
pane kuisiya ichiodza nyama. Tingati
takafurei nekufamba tichindoteya
misungo kure kwese uko?" Chegomo
akakasika kupindura Murenga nokuti
akange aona kuti pfungwa yaMurenga
yaizomunonotsa kunoona Shuviro.

348
VaMarufu vakabva vapokana
naChegomo vachiti zvainge zvataurwa
naMurenga ndizvo zvaifanira
kutevedzerwa sezvo nyaya dzakange
dzoramba dzichingowanda mumusha
mavo. Vakati, "Aiwazve muzukuru.
Isu ngatichiregai kukoshesa nyama
kupfuura nyaya yatinayo pano iyi. Iwe
ndiwe wakatema muripo uyu nokudaro
isu tinofanira kuzadzikisa
zvatakatenderana newe pano kuitira
kuti tizofambirawo dzimwe nyaya
dzemumusha medu. Kana
zvichigoneka taitosimuka mangwana
chaiwo munguva dzemurirakamwe.
Tinogona kumbobatsirwa nemwedzi

349
pakufamba sezvo wave kuedzerwa
kudai."
"Iyi pfungwa yakanakisa Makwiramiti.
Ndazotoona kuti hatifanire kunonokera
nyaya yaCheneso nokuti
inozopedzisira yotishupazve
mangwana. Isu ngatichiswerai
tichiunganidza zvose zvinodiwa
parwendo rwedu urwu tozofumopinda
munzira muzuva ramangwana."
VaNdoringepi vakadaro vachigura
dare namashoko awa. Mhuri
yaVaMarufu yakazoswera
ichigadzirira rwendo rwokubira
kunyika yaChinomukutu.
Vakaunganidza zvose zvavaifunga kuti

350
zvaizodiwa parwendo urwu.
VaNdoringepi vakabvisawo mombe
nhatu idzo dzavaiti dzaizoshandiswa
pakuripa kana madzisekuru aChegomo
aizoda kuripwa. Muswere wezuva rese
mhuri yaVaMarufu yaingoti ikatora
icho yoisa apo. Yobvisazve icho
yotsveta papo. Mapadza, makano
nematemo zvakaiswawo pazvo zvega
zvichinzi zvaizoshandiswa semuripo
kumhuri yokuvaera Gumbo
kwavaizoenda mangwana. Vaizivazve
kuti mhuri yanaMandidenha yaigona
kuzotema muripo wokutorerwa
mukadzi kwavainge vakaita saka
VaNdoringepi nevamwe vavo
vaifanira kuenda vakagadzirira.
351
Mukugadzira kwaiitwa uku, mombe
nembudzi dzainzi dzikambobviswa
kubva kumafuro dzotenherwa
mumatanga nemuzvirugwi. Izvozvi
vaitsvaga dzaigona kuzomira semuripo
wavaigona kuzondotemerwa mberi
kwavaienda.
Nguva dzaiitwa zvose izvi, Chegomo
aitosvotekana kwazvo nokunonotswa
kunoona Shuviro kwaainge aiita.
Tsvimborume iyi yakambobatwa
nepfungwa yokutiza pamusha
paVaMarufu ichienda kunoona
Shuviro, asi yakazozvidzora zvayo
yomirira kuti zuva ramangwana
risvike. Musi uyu, Chegomo

352
akazopedza usiku kwezuva iri
achifunga zvakanyanya nezverwendo
rwezuva raitevera. Usiku hwose
aingopfiza phiza neshungu uye
nekufunga kuti madzisekuru ake
aizondomuti chii pamhaka yaainge
akapara. Akatozobviswa mumifungo
yose yaainge akati betete mairi iyi
naVaNdoringepi avo vainge
vagugudza pasasa remba yaainge
akavata. Chegomo akamuka
ndokumutsana naVaNdoringepi
vobatana naVaMarufu, Murenga
naPorunobva vovamba rwendo
rwokuenda kunyika yevaira gumbo
iye.

353
Varume vashanu vakapaza masango
voyambukira kunyika yavaera gumbo
iyi.
Nhembe dzavo dzakambonyoroveswa
nedova ndokuzomeswa nezuva
rakange rabuda richipisisa musi uyu.
Zvakatombovanetsa vari vashanu
kadaro kuti sei zuva romusi uyu
rakange rapisa zvakadai munguva
yechando chainge chambovatambisa
chamutavanhava masvondo maviri
akange adarika. Vose zvavo havana
kuwana mhinduro yazvo.
VaNdoringepi ndivo
vakazongovanyaradza nerekuti
zvekupisa kwezuva remusi uyu zvaiva

354
zvaMutangakugara sezvo ariye mwene
wazvo.
Chero zvazvo zuva rakange richipisisa
zvokuita serichatungidza mashanga,
varume havana kuwana nguva
yokuzorora parwendo urwu.
Vakaramba vachingofamba
munyeketswa rezuva raipisa iri,
ndonuzondozorora vave pamuzinda
waChinomukutu. Panguva
dzavakazosvika pamuzinda idzi, zuva
rakange rorova nhongonya dzavo.
Vakawana Mambo Chinomukutu
vakagara padare ravo vachikurukura
nehosi yavo Chenguwo. Vaviri ava
vakatozogumisirwa nyaya yavo

355
panzira naVaNdoringepi vainge
varova gusvu vachipinda muchivara
chamambo.
"Tisvike! Tisvike Madyirapanze!
Vaposheri vemiseve! Tisvike Gumbo!"
VaNdoringepi vakadanidzira mukati
megusvu rainzwikwa richiti bu bu bu.
Mambo Chinomukutu vakati simu
vachisimudza tsvimbo yavo
youmambo kuri kuraira kuti
VaNdoringepi nevamwe vavo
vachirega kuramba vachifamba.
Mambo vakachizoti, "Ndimi vananiko
imi munopinda muchivara changu
makapakata mapfumo nemiseve? Ko

356
varindi vemuzinda uno hamuna
kuonana navo sei?"
"Isu tiri vaera Soko vemhiri
kwaDevure uko changamire wangu.
Tasvitswa pano nomuzukuru wevaera
gumbo anotsvaga kwokutandira botso
uyu." VaNdoringepi vakadaro
vachingorova gusvu zvisina zororo.
"Ho-o! Ndimi vokutibvutira
mukaranga wedu imi? Ko, iye
wamuoti muzukuru womumusha muno
ndoupiko?" Mambo vakadaro
ndokuzopedzisira ndokudanidzira
kuvarindi vake kuti vauye vazotora
zvombo zvaiva naChegomo
naPororunobva. Chegomo akamboda
357
kuramba kutorerwa zvombo zvake, asi
akazobvuma zvake mushure mokunge
VaNdoringepi vapindira.
VaNdoringepi vakazopindura mambo
Chinomukutu vachiti, "Muzukuru
wenyu ndiyeyu ari papa uyu Madyira.
Anoti mai vake vainzi Kabiriviri..."
VaNdoringepi vakabva vanzi gwishu
naMambo Chinomukutu.
"Baba vangu Chidonhamuto iwe!
Ndiwe mwana waKabiriviri iwe?
Garai pasi vasharukwa. Pano mauya
kuzoedza rwizi nemakumbo ose
chaiwo. Hamungati kutitorera
mukaranga wedu pamusoro pazvo
motiunzirazve mhondi iyi pamuzinda
358
pangu pano. Mune chokwadi imi?
Vaera Shoko munoita zvokutamba
kani imi. Godzamuto huya uone
mashura ari pano. Newe Muchairipa
uripiko vanhu ava vachipinda
mumuzinda mangu? Hokavarwi
ngaikume Mariga. Ndinoda varwi vese
pano iye zvino." Mambo Chinomukutu
vakapaumba vachiti vakataura kuna
VaNdoringepi nevamwe vavo
vombotaura kuvarindi vavo
vachivaudza zvokuita. Vamwe varindi
ndivo vakamhanya kundodaidza
VaGodzamuto naVaMuchairipa kuti
vauye kuzozvinzwira nyaya yakange
yauva nevaera Soko iyi. Mariga
akafuridza hwamanda iyo
359
yakanzwikwa nevarwi vose zvokuti
nenguva isipi varwi vose vakange vave
mumuzinda wamambo wavo.
VaNdoringepi naVaMarufu vachiona
izvi havana kuvhunduka nazvo nokuti
vaiziva kuti uku kwaingova
kishereketa kwetyityidziro chete.
Murenga, Porunobva naChegomo
ndivo vakatonyorovesa nhehwe dzavo
nokutya. Kana ari saPorunobva
akakungura kuti dai asina kupinda
parwendo rwokuuya pamuzinda uyu.
Murume mukuru akatanga kufunga
kuti chinyi chaizoitika kana
Mandidenha aizoziva kuti
nyakumutorera mukadzi wake akange

360
asvika munyika yavo. Izvi
zvakamutyisa zvokuti akambofunga
zvokuti asimuke atize, asi akashaya
pokupoya napo sezvo muzinda wose
wainge wasoserwa nevarwi
VaChinomukutu. Porunobva
akazongoramba akagara pasi achiti
akaona murume asvika otsikitsira pasi
kuri kuhwandisa chiso chake.
Kune vemba yaMambo Chinomukutu,
VaGodzamuto ndivo vakatanga
kusvika vakadungamidzana
nevanakomana vavo uye hanzvadzi
yamambo yainzi Maruteni.
VaMuchairipa nevana vavowo uye
muzukuru wavo Zisorembwa

361
vakazosvikawo vachidzima tsoka
dzaVaGodzamuto nemhuri yavo.
Mandidenha akange auya nababa vake,
asi haana kukasika kuona chiso
chaPorunobva sezvo Porunobva ainge
akatsikitsira pasi.
Mhuri yeveimba yaMambo
Chinomukutu payakangokwa,
zvaChegomo zvakabva zvamuputira.
Tsvimborume yakatanga
nokurotomoka kwainge kwakasangana
nokugegedzera ichiita seinoseka
zvaitarwa pachivara apa. Rusiriri
rwaingoti chururu ruchidonhera
panhebwe dzaainge akapfeka.

362
"Kana tasvika ndiripei Kabiriviri.
Makati muchanditandira botso
Kabiriviri. Hongu tandai tione
mukazvigona Kabiriviri.
VokwaMadyira vane shungu nemi
vaera Soko vemhiri kwaDevure,
Kabiriviri. Makavatorera mukaranga
wavo, Kabiriviri. Makavasekazve
pavairohwa nomuzukuru wavo
Kabiriviri. Pedzezvo moti Chegomo
huya ugare pamusha pedu, Kabiriviri.
Kutora ngozi kuiti tsve-e pamusha,
Kabiriviri. Yangova ngozi pamusoro
pengozi Kabiriviri. Agumbuka
osvisungirira, Kabiriviri. Porunobva
wakabata maneka, Kabirirviri. Kuti ini
ndifare, ndiye ngaabvise mombe gumi
363
dzinotsika pamuripo wangu,
Kabiriviri. Dzenyu sekuru handidzidi,
Kabiriviri. Nedzenyuzve sekuru
handidzidi, Kabiriviri. Ndinoda dzaiye
Porunobva, Kabiriviri. Ndiyeka
nyakuzviti handibviri, Kabiriviri.
Tongai tione, Kabiriviri."
Mambo Chinomukutu neveimba yavo
vachinzwa kutaura kwaChegomo
vakatorana vombopangana vari pavo
vega vachitsvaga kuti voita sei
nenyaya yomuzukuru wavo iyi.
VaGodzamuto naVaMuchairipa
vakamboti Chegomo aifanira
kudzingwa zvose nevanhu vakange
vauya naye, asi Mandidenha

364
akarambisisa pfungwa iyi. Akange
azoyeuka mashoko aVaChizeze okuti
aifanira kuregerera vose vaiva
nemhaka naye.
Akati, "Pamusoroi vana baba nemi
bambomukunda muri pano. Ndinoziva
kuti ndiri mwana mudiki padare rino,
asi ndinokumbira mumbondipawo
nzeve." Akambomira achitarisa-tarisa
vanhu vose vaiva padare iri.
Akazosimudzira oti, "Tose tinoziva
kuti mhosva haiendi pachitsiga asi
inoenda pamunhu nokudaro tinofanira
kutonga nyaya iyi tichizivawo kuti
nesu tiri vanhu. Chekutanga ndinoda
muzive kuti ini handichina daka

365
nanyakundirozva mukaranga wangu,
Dudzai zvokuti dai zvaibvira
taindomisa pfumbatwa dzatakabatiswa
kwaMutemarege uko kuti mhuri
yokunditorera mukaranga wangu
ichiva norugare." Akambomiswazve
neruzhinji rwakange rwakanuka
ruchishoora kutaura kwaainge aita apa.
Vamwe ndivo vaitoti pfumbatwa
dzaMutemarege dzaifanira
kutokuchidzirwa kuitira kuti
nyakumutorera Dudzai ayuwire
nokutambudzika, asi Mandidenha
akaramba akamira pashoko rake.
"Hongu ndinoziva kurwadza
kwokubvutirwa mukadzi

366
wawakabvisira marooro, asi shungu
dzinofanira kusererawo. Ini
Mandidenha ndabuda mazviri
nokudaro hakunazve mumwe
anofanira kucharamba achataura
nezvenyaya iyi. Ndochiuya panyaya
yomuzukuru wedu uyu. Iyi inyaya
yatinofanira kutora senyaya
yomumusha medu muno. Uyu
muzukuru auyiwa naye mwana wedu.
Zvino isu tikamurasha ndiani mumwe
anozomira naye pamatambudziko?
Hongu muzukuru akatitadzira, asi
sezvo mwana auya achiti anoda
kutanda botso tadini tamutandisa
awane rugare sevamwe vose?
Ndapedza ini vanaMadyira"
367
Mandidenha akati bu bu bu
ndokunyarara.
Dare rakamboita runyararo pasina
kana ati bufu. Vose vakange voita
sevakasungwa miromo yavo. Mambo
ndivo vakazopendera dare iri vachiti,
"Tose ngatizivei kuti imbwa yavata
yatya. Naivo vokuvaera Soko ava
muchivaona vari pano hazvirevi kuti
vari kutizvidza, asi mukaona
vachisvika pano kudai kureva kuti
vapota nechuru. Vauyawo kuzopodza
daka ravo nesu. Zvino kuti tichiregera
kuzoenda kumashure kwenguva
ngatichitambai nyaya iyi
mazambirambira pazuva

368
ramangwana." Hapana akapokana
nemashoko aya. Vose vakasimuka
vodzokera kumisha yavo vomirira
zuva ramangwana. VaNdoringepi
navamwe vavo vakazorara pamuzinda
wamambo vomirirawo kuzogurwa
kwenyaya yainge yavasvitsa
mumuzinda uyu.
CHITSAUKO 18
Chava chifumi chamangwana vanhu
vemba yamambo Chinomukutu
nevemhuri yaVaNdoringepi
vakafumirogara dare rokuronga kuti
voita sei nenyaya yaChegomo. Vanhu
vakambodzeya nyaya iyi vamwe
vachiti zvaisabvira kutandisa
369
Chegomo botso sezvo painge pasina
vokwababa vake vaive padare iri.
Vamwewo ndivo vaiti vamboturika
nyaya yaChegomo padivi vombotaura
yokutorwa kwaDudzai achienda
kuvaera Soko vemhiri kwaDevure.
Izvi zvakambosiya dare rasungwa
maoko aro ose roshaya kuti rotevedza
zvipi. Bambomukunda, VaMaruteni,
hanzvadzi yamambo Chinomukutu
ndivo vakazobatsira mambo kugura
nyaya iyi.
"Izvi hazvifaniri kutitemesa musoro
Madyirapanze. Pano tine nyaya mbiri
dzakandwa mudariro idzi. Yokutanga
ndeyomwana womwana wedu uyu

370
anoda kutandirwa botso. Yepiri
ndeyekuti chero zvazvo muzukuru
wangu Mandidenha akange ati
haachina daka nevaera Soko, ini
bambomukunda navamwe vese ava
tichine daka rakakurisa navaera Soko
ivava. Zvino zvazvamira zvakadai, ini
ndaifunga kuti vaera Soko varipe
kutitanyanga kwavakaita vachititorera
mukadzi wedu. Hongu nezuro
takawirirana kuti tose tinofanira
kuregererana, asizve izvi hazvifaniri
kutidzivisa kuti tiripise nzvori
yokutirozva mukaranga wedu iyi.
Mukuiripisa kwatichaita hatifaniri
kuchitema muripo wakakura, asi kuti
totemawo sevanhu vanzwirana tsitsi.
371
Ipapa ndinenge ndava kutochema
newe Chinomukutu kuti uteme chero
mombe imwe cheye inotsika somuripo
uchabva kuvasharukwa ava nevana
vavo." Bambomukunda vakadaro
ndokumbomira vachitura befu. Izvozvi
dare rose rakange rakati ziro
richiteerera mashoko aVaMaruteni
aya.
VaMaruteni vakazoti dzama
nokutsanangura zvimwe zvavaifunga
kuti zvingaitwa kuti nyaya mbiri idzi
dzifambiswe negwara kwaro. Vakati,
"Kana tichinge tapedza kuripisa
varume vokutitanyanga ava, tinofanira
kutanga taratidzwawo pane guva

372
romwana wedu, Kabirirviri navarume
vake. Zvino kuti izvi zviitwe isu
hatingosimuki tega pano?"
"Zvino imi bambomukunda munoti
ndiani mumwe achatisimudza pano iye
mukuwasha wenyu chaiye akaenda
kwamupfiganebwe. Munoti dai aivapo
angasadai akafambira nyaya idzi kare
kare here?" VaGodzamuto vakadaro
vachibata VaMaruteni muromo.
"Ipapo ndange ndisina kupaona
Madyira. Zvino mati toita seiko? Mati
tongotanda hedu here botso racho isu
tisina mumwe atipupurira kuti uyu
muzukuru wedu chaiye?" VaMaruteni
vakabvunzazve. Pose paikweshana
373
vemhuri yaMambo Chinomukutu iyi,
VaNdoringepi navamwe vavo vainge
vakati mwii vachimirira zvaizobuda
mumakakatanwa aya.
Mambo Chinomukutu ndivo
vakapindura bambomukunda voti,
"Ipapo panoti netsei, asizve sezvo
mwana achiti mai vake vainzi
Kabiriviri varizve muera gumbo,
mwana waMadyira wekuno mhiri
kwaDevure zvinorevazve kuti ndisu
madzisekuru ake. Nokudaro isu
ngatichiregai kupedza nguva
tichitsvaga nhongwa dzatinoziva kuti
chero tikanyadziwana hapana chimwe
chichashanduka panyaya yatakagarira

374
pano iyi. Isu ngatichipedza nevaera
Soko ava, tochizouya panyaya
yomuzukuru wedu iyi. Zivaizve kuti
bira rokutanda botso hatiriiti tiri tega,
asi kuti tinofanira kutungamirirwa
nen'anga ichitiudza zvokuita."
Hapana mumwe akazopokana nazvose
zvakataurwa naMambo Chinomukutu
izvi. Mambo Chinomukutu
vakazobatsirana neveimba yavo
voripisa VaNdoringepi nemhuri yavo.
Zviya zvokuti ngozi yegombero
inoripwa neinobuka ruva hazvina
kuitwa apa. Vaera gumbo vakange
vaita zviya zvakarehwa navakuru
zvokuti mhosva haitongwi nokurwa.

375
Porunobva akazonzi abvise tsiru
rimwe rinotsika pamhaka yake
yetsvingudzi yaainge akapara.
VaMarufu vachinzwa muripo wainge
watemwa uyu vakarova gusvu ndokuti,
"Dzinonzwa Madyirapanze. Mhaka
tinayo hatirambi. Tichabvisa muripo
wamatema uyu. Ini mbune ndichatinha
tsiru ndomene ndichibira naro mhiri
kuno. Tinotenda chaizvo mambo
wangu." Vakatizve bu bu bu
vachibatsirwa naVaNdoringepi nevana
vavo.
Kuzoti izvi zvapera, Mambo
Chinomukutu vakati nhume itumwe
kunodaidza Manhongatsine, n'anga
376
yaigara pedo nomuzinda wamambo.
Nhume yakaposhera tsoka yonanga
kumusha kwaManhongatsine
ndokundosvikirana nen'anga iyi
ichibvawo musango mayainge yaenda
kundochera makwenzi ayo. Nhume
yakaturira mashoko ayainge yauya
nawo kunaManhongatsine vachibva
vangodungamidzana vari vaviri
voenda kumuzinda. Vachindosvika
pamuzinda, Manhongatsine akasumwa
zvaainge adanirwa ndokubva ati ose
akange ari pachena pasina kana dema.
N'anga yakamboshopera ichida kuziva
kuti Chegomo akange achinetswa
nemweya wamai vake here kana kuti
yaitovawo imwe ngozi yaisada
377
zvokutandirwa botso. Mushure
mokunge ambokanda hakata dzake
pasi, Manhongatsine akati,
"Zvatakagara nenzvorizve pamuzinda
pano nhai Chinomukutu-iwe? Mwana
uyu akabata maneka makurusa pazera
rake. Wakazviwanepiko zvawakaita
iwe mujaha? Ungatamba namai
nomutoo wawakaita uyu? Pedzezvo
worova madzisekuru, hanzvadzi
dzamai vako? Une chokwadi iwe?"
Manhongatsine akati dzungu dzungu
musoro ndokupedzisira nokuridza
tsamwa yakakora kwazvo.
"Mwana ngaatange nokuripa
madzisekuru aakarova uyu asati

378
atandirwa musango kundotsvaga
kwaakaisa mai vake." Manhongatsine
akadarozve. Mambo Chinomukutu
neveimba yake ndokutambazve dare
rokuripisa Chegomo. Pamhaka
yokurova madzisekuru ake Chegomo
akanzi abvise mombe shanu dzinotsika
nemapadza matatu pamusoro.
Pakatemwa muripo uyu Chegomo
akarova nondo ndokuti, "Mai vangu
Kabiriviri iwe! Ndakazviparira.
Mukati nhaka ndinopona ini? Heyo
sekuru. Pamuripo wangu uya tapudzai
shanu dzinotsika nemapadza matatu
ndiripe madzisekuru angu." Izvozvi
aingorova nondo akatarisa kuna
Porunobva.
379
Porunobva achinzwa mashoko
aChegomo akati vhundu, ndokubatwa
nokutya kukurusa. Muviri wake
wakachipindwa norumhepo rwaipisa
urwo rwakasiya dikita toti teu teu
nomuviri wose. Murume akatanga
kufunga kuti aizodziwanepi mombe
shanu dzainge dzarehwa idzi. Ko iwo
mapadza? Porunobva akati kupu ziya
neseri kworuoko rokurizunzira pasi.
Izvozvi aironga kusimuka achiita
ushamwari nemhepo achitiza nyaya
iyi.
Achiri mukati mukufunga kuti oita
zvipi, baba vake VaMarufu vakati bu
bu bu ndokuti, "Dzinonzwa muzukuru.

380
Muripo ndewako zvino isu
hatingarambi nawo. Unozouya
uchitinha dzomudanga rangu ini.
Mapadza arehwazve aya ndinawo
unozouya ndichikupa." VaMarufu
vakatizve bu bu bu ndokunyarara.
Izvi zvapera, Manhongatsine akati,
"Mwana uyu haachina hama nokuda
kwamabasa ake akafumuka aakaita.
Firo yamai vake ine zvizhinji zvisina
kutevedzerwa patsika dzedu. Asi
zvaauya kumadzisekuru ake kudai, iwe
Chinomukutu nevana vako ndimi
matovazve madzibaba omuzukuru
wenyu uyu. Chitsvagai muzukuru
wenyu mukuru achimira sedunzvi

381
pabira rokutanda botso rotogadzirira
iri. Kana mamuwana chitangisai basa
nokukurumidza kuitira kuti mwana
asununguke uyu."
"Iri munzeve Manhongatsine,
muzukuru weMabweadziva.
Manhongatsine anotaura nevari
kumhepo. Regai tiite sokutaura
kwako." Mambo Chinomukutu
vakadaro vachirova gusvu iro
ravaibatsirwa navamwe vose vaiva
padare apa. Mhuri yamambo
yakagarazve pasi yokumbira
kumuzukuru wavo mukuru
Zisorembwa kuti avabatire basa iri.
Zisorembwa haana kuramba kutumwa

382
namadzisekuru ake, basa ndokunzi
richitangiswa.
Sezvo Mambo Chinomukutu varivo
baba vakange vasara mumhuri
yaMadyirapazhe, bira rokutandira
Chegomo botso rakanzi riitirwe
pamuzinda wavo. Vanhu havana kuda
kuzorongazve rimwe zuva
rokutangidza basa romutambo uyu, asi
dunzvi rakatonzi richitotangisa basa
raro. Panguva idzi Chegomo akabva
aparura kambo kake kaakamboimba
musi wazovigwa Dudzai uya. Aiti,
Muripo wangu chinyiko pano nhaiwe
Kabiriviri?
Mbudzi handidi Kabiriviri.
383
Mombe haikwani Kabiriviri.
Ndinoda kutandirwawo yangu ngozi
Kabiriviri.
Ndinodawo kuroorawo sevamwe
Kabiriviri.
Achindonyarara Chegomo akabva ati,
"Muchiona varume ava vari pano
kudai, vane muripo wangu
wavakandichengetera. Muripo
wokunditandira botso kusvika
kumagumo kwaro. Zvino kana
muchizonditandira musango
ndichaendawo nasekuru Porunobva.
Ndiwo uchavawo muripo wavo pabasa
randakavabatira mumusha mavo."

384
Kupedza kutaura kwakaita Chegomo,
Porunobva akatangazve kudikitira.
Murume akashuvira kuti dai pasi
rangovhurika ramumedza zvake asiya
nezvepanyika ino. Akadembazve kuti
dai akange achine pfumo kana miseve
yake aizongozvitumbura nepadumbu
ozorora zvake. Zvino pane zvose
zvaaishuvira izvi hapana kana chimwe
chakaita kuti abve panzvimbo iyi.
Porunobva akambobatwazve
nepfungwa yokuti apokane
naChegomo, asi akatya kuti ngozi
hayaizopera mumusha mavo. Chaainge
ave kudawo ndechekusunungura mhuri
yavo mungozi dzakange dzongoramba

385
dzichidurikidza mumhuri mavo
sematomo echikomo cheMatopo.
Porunobva achiri mukati mebutiro
rekuvhiringika iri, Zisorembwa akabva
araira kuti Chegomo naPorunobva
vapinzwe mumba yavo vega. Varume
vaiva padare iri vakabatirana Chegomo
naPorunobva vovaisa mumba yainge
yarehwa iya. Vavamo, Zisorembwa
akatevera akabata nhebwe dzainge
dzakasakara zviya zvokusakara.
Dzimwe dzacho akange atoita
zvokudzinhonga kumucheto
kwomuzinda. Zisorembwa akachibvisa
varume vaviri vaye nhahwamaringa
dzavainge vakapfeka ndokuvapfekedza

386
nhehwe dzaainge abva nadzo.
Apedzazvo, akachidana hama dzepedo
dzamai vaChegomo mumba muye.
Mambo Chinomukutu neveimba yavo
vose vakapinda mumba maiva
naChegomo naPorunobva muya.
Bira rakange rave kuchizarurwa zvino.
VaMaruteni ndivo vakanzi
vachideketerera Chegomo kuti awane
kutandirwa musango umo
maaizondotsvaga zviyo zvokubikisa
doro rebira. VaMaruteni vakati,
"Hezvo kwauri Madyirapanze, nemi
vose vedzinza vakatungamira kare.
Muzukuru wenyu, Chegomo, mwana
waKabiriviri tinaye pano nhasi achiti

387
'madzisekuru ndiregerereiwo
ndakakutadzirai.' Newe kwauri
Kabiriviri, mwana wako anochema
achiti, 'mhai ndakakutadzirai,
ndiregerereiwo.' Mhaka haana
kuiramba. Zvose abvuma ndiko tava
kumutandira musango kudai. Chiregai
kumuitira chinya mumasango maava
kupinda umu." VaMaruteni vakamboti
bu bu bu pasina mashoko avaitaura.
Vakazoenderera mberi votaura kuna
Chegomo voti, "Newe Chegomo ziva
kuti mubereki haatukwi. Mubereki
haarohwi. Ukangodaro chete unotanda
botso sezvawava kuita nhasi uno izvi.
Uchabva pano uchimbeya nenyika

388
yose uchitsvaga kwawakaisa hama
yedu. Pauchafamba apa uchasangana
neachakupa zviyo, mhunga, mapfunde
kana chibage chaicho. Usadzoka pano
kana usati wawana hama yedu.
Ungatodzoka pano chete kana wawana
zviyo zvokuti tikuitire bira zvakwana.
Unozvinzwa here iwe Chegomo?
Unongoti mazimhino akati pwashasha
seakatsikwa nedongi mai vaenda
kumakuhwa. Simuka ubude muno
unongomisa zidzoro rakati bhafafa
sewendeva rinoda kuvariswa paguva.
Idzo tsoka ungati chirovero chambuya
Ziendanegore kukura. Usanditarisa!
Unongoti maziziso anenge chidaira.."

389
VaMaruteni vakange voita
sevabudirwa neshavi rokutuka.
Vamwe vose vaiva mumba
pavakanzwa bambomukunda
vongoramba vachitukirira Chegomo
vakabva vaziva kuti nheketero
dzakange dzapera. Yakange yachisvika
nguva yokutandira nzvori (Chegomo)
musango. Ipapa ndipo paibutirwa
vemashavi outsinye. Chegomo
akachinzi achitangisa rwendo rwake.
Akabuda mumba muye Porunobva
achiteverawo ari shure uku
achingonyara nyara. Mashoko
makobvu namatete aivaperekedza
pavaibuda mumba kudai.

390
"Newewo muera Soko, ndiwe imwe
nzvori inoita seisina kuraywa
nevakakuzvara. Unongoti mipimbira
inenge mipini yebadza raKanengoni.
Chiitai munhu anogeza. Rinongoti
maziman'a anenge muhomba
wembambaira watsemudzira.
Unoshaya kuti Dudzai akachivawo chii
parume rakasviba kuti tsva setsito
irori." VaMaruteni vakadaro voti
vakakusha Mashoko kunaChegono,
vokushazve kuna Porunobva.
"Anorayiwa naniko ivo madzibaba
acho aine tsika dzakaderowo.
Hamuzivisu kuti mhembwe rudzi
inozvara ane ruzhumwi? Regai

391
zviende zvose, zvimwe angadzidzawo
muera Soko uyu. Honai kufamba kuri
kuitwa ungati varume vatadza
kudzimba muswere wese wezuva.
Budai mumusha mangu."
VaChenguwo, hosi yaMambo
Chinomukutu vakati kupe mvura
yainge yakazara makoko kuna
Chegomo naPorunobva.
Kuita kwaVaChenguwo kwakazarurira
vakawanda mukana wokurwadzisa
Chegomo naPorunobva. Vamwe
vakamhanyira kumatanga kundotora
ndove yemombe ndokuuya kuzorera
varume vaviri ava. Vamwewo ndivo
vaivakushira ivhu iro raisara rati name

392
nane nemuviri yavarume vaviri ava.
Izvozvi porunobva naChegomo
vakange vakabatirana zitswanda iro
ravaizopemhera zviyo zvokubikisa
doro rebira. Utosvoranzvori hwaiitwa
nevanhu uhwu hwakaitwa kusvikira
Chegomo naPorunobva vabuda
mumuzinda. Pavakangobuda
muchivanze chomuzinda varume
vaviri vakambotura befu sezvo
pakange pasisina womumuzinda
akange achabvumirwa kuvatevera
achivakupira tsvina nokuvatukirira.
Izvi zvaiitirwa kuti vasiirewo mukana
kune vamwe vaizosangana nenzvori
yaitanda botso iyi.

393
CHITSAUKO 19
"Zita rangu ndinonzi Chegomo. Mhaka
yangu ndeyekurova mai neseri
kworuoko. Mai nyakunditumbura
chaivo. Nhasi vonditandisa botso. Mai
havarohwi, mubereki haatukwi..," uyu
aiva Porunobva aidanidzira panguva
dzavainge vachipinda muchivanze
chomusha waVaKarize, gurukota
ramambo Chinomukutu. Izvi
Porunobva ainge aitira kuti utukwa
neushorwa huende paari nokuti kana
hwaizoramba hwakamomotera
Chegomo, Chegomo aigona
kuzotsamwa akaramwa kupambara
nemisha kwavaiita uku.

394
"Tibvireipo! Hamusvodi kutaura
makati dzwii ipapo? Zwamaiziva kuti
mubereki haatukwi, zvino
makamutukirei? Makamuroverei
neseri kworuoko? Itsikaiko
dzamunotiitira vapwere imi?"
VaKarize vakagashira Porunobva
naChegomo nemashoko aya. Vakachiti
kwanyanu vosimuka kubva pavainge
vakagara nomurongo wavo.
VaKarize vakatizve, "Nhasi motishupa
nokuita kwenyu kusina nyadzi ikoku.
Munoti zvinotifadzasu kuona varume
vakasvika semi kudai vachitanda
botso? Icho chinokufurirai kuti
mutadze kuremekedza vakuru

395
chinyiko? Hamutosvodi pamakati
dzwii ipapa? Muri nzvori dzevana
haikona. Ndiko saka matenga oramba
kudonhedza misodzi yawo. Munoti
vari kumhepo vanofara nematsvina
amunoita iwawa?" Vapedza kupopota,
VaKarize vakati kamhi kamhi
vachienda kumatura aive pamusha
payo. Vasvikoti ngori mune dura
rokutanga ndokubudamo vopindazve
mune rimwe. Harahwa yakachizobuda
yodzokera paiva naChegomo
naPorunobva avo vainge
vakangobatirana zitswanda ravainge
vabva naro riye. Yakakasvikoti tsimba
yezviyo(rukweza), netsimbazve
yemhunga mvoo muzitswanda
396
rimweyo. Harahwa yakachitizve kota
yonokora jecha raiva pamusha payo
ndokuritizve mvoo muzitswanda riye.
Zvose izvi vaizviita muchimwimwi.
Vapedza vakachiti kamhi kamhi
vondogara paiva nomurongo wavo.
Chegomo naPorunobva vakatsamwa
kwazvo nokuita kwaVaKarize asi
havana chavakataura. Chavakaziva
ndechekuti tswanda yeanotanda botso
inhava yebenzi inoiswa zvese zvese.
Nokudaro vakatenda VaKarize
nokuvabatsira kwavainge vaita
ndokusimudzira nerwendo rwavo.
Murwendo rwavo vaisangana navanhu
vakasiyana siyana. Zvaiti

397
vanovapangurira zviyo, vanoisa jecha
mutswanda ine zviyo iye.
Vanovasvoreredza nokuvatuka.
Vamwewo ndivo vaivadira mvura ine
makoko kana madhaka chaiwo. Kana
dziri sepwere dzaitombosendeka
zvadzinenge dzichiita
dzombosvoreredza varume vaviri ava
dzichivaperekedza dzozovasiya zvavo
kana vave kure nemisha yemavabereki
vadzo.
Kutukirirwa nokusvoreredzwa
kwaiitwa uku kwaisvota Porunobva.
Chainge chonyanyomusvota
nokumurwadza ndechekuti vanhu
vazhinji vainge votoona Porunobva

398
saiye mutandabotso. Murume uyu
akatombobatwa nepfungwa yokutiza
Chegomo, asi nyaya yokuti muripo
waidiwa naChegomo wainge usati
wakwana yakaita kuti Porunobva
arambe chishingirira parwendo urwu.
Chainge chovavarirwa naChegomo
apa ndechekupedzisa muripo wainge
wakatarwa naChegomo. Aiziva kuti
kana aizoramba akamira naChegomo
kusvikira musi webira rokutanda botso
wasvika ndiko kwaizovawo kupera
kwenyatwa dzose dzakange
dzosanganikwa nevemhuri yake.
Mukufamba kwose kwavaiita vari
vaviri uku, Porunobva aitombopota

399
achidzora Chegomo apo paanenge oda
kudzorera kutukwa kana kurohwa
kwaanenge aitwa nepwere
dzavaisangana nadzo. Izvi Porunobva
aiitira kuti zvisapinga urongwa
hwebira rokutanda botso iro raizoitwa
kana zviyo zvavaisunza zvakwana kuti
vabike doro rebira iri. Aizivazve kuti
kudzorera akutuka mukutanda botso
kwaigona kutsamwisawo midzimu
yanyakutadzirwa izvo zvaizoita kuti
bira rizotadza kubudirira. Izvi ndizvo
zvimwe zvezvinhu zvakazosakisa kuti
Porunobva asarudze kumira
samuparamhaka pakusunza kwose
kwavainge voita uku.

400
Mukupambara kwavaiita uku,
Porunobva naChegomo vakatenderera
nenyika yaChinomukutu kwemazuva
maviri vachipemha zviyo. Muzuva
retatu vakarashikira kumisha yaiva
pedo nokumupata weRenje uko
kwavakandowana zviyo zvakawanda
kwazvo. Vanhu vekumisha iyi,
vashoma vaikupira mvura inemakoko
nekuvatuka. Vazhinji vavo
vaivanzwira tsitsi zvokuti pose
pavaisvika vaitobva vaine rukweza
kana mhunga yavawana. Izvi zvakaita
kuti varume ava vade kuramba
vachitevedza misha yokumupata uku.
Vakachiramba vachingofamba
vachivavarira kusvika pavainge vaona
401
utsi huchiti togo mudega. Ipapa paiva
pamusha waMbuya Ziendanegore apo
paingova nemba imwe chete. Utsi
hwainge hwaonekwa naChegomo
naPorunobva uhwu hwainge huri
hwemoto hwaiveswa naShuviro achiti
abike kasadza kemasikati.
Vachindosvika pamusha paye,
Porunobva ndiye akadanidzira achiti,
"Tisvike! Tisvike ambuya! Zita
ndinonzi Chegomo. Ndiri
mutandabotso, ndinotsvaga zviyo
zvokubika doro rebira zvimwe mai
vandakarova vangandiregererawo."
"Svika zvako mutukamai, mwana
asina matyira nenyadzi. Zvino uyu
402
wauinaye ndianizve? Hauzivisu kuti
mutandabotso anofanira kufamba ari
ega mwanangu kwete zvamuri kuita
izvi." Mbuya Ziendanegore vakadaro
vakagara zvavo nomuzukuru wavo
Shuviro uyo ainge angoti meso
dzvondo pavarume vaviri vaye.
"Uyu ane mhaka neni ambuya. Zvino
muripo wemhaka yacho ndewekuti
anofanira kundibatsira pakutanda
botso...." Porunobva akaedza kuti
atsanangure mashoko emanyepo, asi
Shuviro akasvotekana nazvo.
Mhandara yakati kachi pakati
pemashoko aPorunobva.

403
"Imi varume musauya
kuzotinyengedza namashoko enyu
amanyepo aya. Iwe Porunobva
wakazotanga riini kunzi Chegomo?
Newe Chegomo zita rokuti Porunobva
wakariwanepi?" Shuviro akadaro
asumuka zvino. Akachiti kuna Mbuya
Ziendanegore, "Uyo ndiye Chegomo
chaiye ambuya kwete uyu
wemanyepo..."
"Ayizve-e! Zvino vanoda kutiyedza
pfungwa dzedu here pano? Ko, sei
muchiita dambe nokutanda botso
vakomana imi? Hamuzivisu kuti botso
rine chekuita nevakatungamira kare
kwete isu vapenyu tiri pano? Zvino

404
mukaita jee nesu pano muchiti
murikutibata kumeso hameno zvenyu.
Ngozi yamunoda kuripa iyi
hamuzoigoni mberi uko. Hezvo ini
mwana Chasura, Matapatira ndiri
pano." Mbuya Ziendanegore vakadaro
vakatarisa varume vaviri vaye.
Kunyarara kwakaita mbuya
Ziendanegore, Chegomo akabva ati
tonono ndiye bu bu bu achirova nondo.
"Pamusoroi ambuya! Muchiona tiri
pano kudai, ishungu dzembwa dziri
mumoyo. Tauya kuzohukurira
pamusha pano. Iyi tswanda yezviyo
yamunoona izano rokuti tiwane
masvikiro epamusha pano. Handiti imi

405
vakuru ndimi munoti, gunguwo
rakapona nehwakumukwaku?
Ndimizve munoti atapatira ada
zhengeni, agara pfunde ada musoro.
Ushereketwa hwese kwokuita savanhu
vanotanda botso uhwu hwaingova
hwokuti tiwane kusvika pano chete.
Taiitira kuti tisazosakadzirwa imbwa
tichinzi tiri kuvhimira mumusha
muno." Kutaura kwaChegomo
kwakavhundusa Porunobva zvokuti
porunobva akashatirwa senyoka
yemhakure yatsikwa muswe wayo.
Murume akabatwa nepfungwa
yokusvetukira pahuro paChegomo
umuzunza zunza zvose
nokumutsondokodza nezvibhakera.
406
Pfungwa yake iyi yakamiswa
naMbuya Ziendanegore avo vakange
vagegedzera vachiseka mashoko
aChegomo.
"Hehede-e! Seka zvako
Ziendanemudenga. Pachine mhandara
nganiko pano zvamunoti mauya
kuzovhimira pamusha pangu pano?
Handiti ndingori naiyeyu Shuviro
wandakatopihwawo navadzimu kuti
andichengete..."
"Ipapo midzimu yakakombora
pakukupai muchengeti akaita
saShuviro uyu ambuya. Mwana ane
tsika dzinonetsa kuti ndidzitsanangure
pano. Ndakazvionera ndega musi
407
wandamuona achiteza huni mugomo
umo. Idzodzi tsika ndidzo dzaita kuti
ndivambukire kuno mhiri ndichibva
kwedu kuvaera Soko uko." Chegomo
akaramba achisimbisa mashoko ake
emanyepo. Izvozvi Shuviro ainge
achingoti tsiki tsiki ave kutya.
Masvikiro akange aita Chegomo
naPorunobva pamusha apa akange
amuvhundusa kwazvo.
"Ho-o, ndiwe Chegomo wokuonekwa
nemuzukuru wangu mujinga
reDambiranungu umo?" Mbuya
Ziendanegore vakabvunza.
"Ndini ambuya." Izvozvi Chegomo
ainge akachangochonjomara uyuwo
408
Porunobva ainge akangoti tumbi
achishinyira neshungu.
"Garai zvenyu pasi vazukuru. Pano
imbwa hapachina, dzakapera kutorwa
nehombarume dzenyika ino.
Tangosara tiri vaviri kudai."
Chegomo akati bu bu ndoti pasi godi.
Achangogara pasi Porunobva akabva
aita semunhu abatwa nemweya
wakasimba kwazvo. Akati svetu
achindoti pahuro paChegomo dzvii.
Varume vaviri vakati njacha,
Porunobva akangobata huro chete.
Chegomo akaedza kuti abvise ruoko
rwaPorunobva asi aiita seakabatwa
nembato yemupfuri zvokuti akatadza
409
kupukunyuka. Mbuya Ziendanegore
naShuviro vakaedzawo kurandutsira
asi hakuna akavanzwa. Porunobva
akaramba akaruma muromo wezasi
uku ruoko rwerudyi rwuchwedzera
kudzvinya huro yaChegomo.
"Usatamba neni mukomana iwe! Wava
kuti hausi kutanda botso sei, isu
takatandirwa musango pamusha
paMambo Chinomukutu? Chegomo
uri nzvori yemunhu haikona."
Porunobva akapopota aita zvokugara
Chegomo matunduru. Chegomo
akatanga kunzwa simba richipera
zvishoma nezvishoma mumuviri wake
zvokuti nharo dzose dzaainge
410
achimboita pakange pasisina. Akange
angowudzvura meso ayo ainge oita
seachatushuka kubva muzvikomba
zvawo. VaZiendanegone vakange
vangoti tsiki tsiki vasisina kana nezano
rokuti vodzimura dzivo iri sei. Shuviro
ndiyewo ainge akangomirawo akabata
musoro wake namaoko ake ose.
Izvozvi aironga kutiza pamusha apa
asingadi kuona varume vaviri ava
vachiurayana. Shuviro ari mukati
mokuronga kudai, akashanyirwa
neimwe pfungwa yakamurangaridza
utsinye hwaakange amboona
panaPorunobva. Utsinye ihwohwu
ndihwozve hwakange hwoita kuti
Porunobva ade kuuraya Chegomo zuva
411
rakacheka nyika. Mhandara yakati
vhizu maoko ndokumhanyira
pabakwa, ndiye rukuni vhomo.
Akachidzoka ari chihwiriri
ndokusvikoti bho mumusoro
maPorunobva, murume ndokundoti
nyondo nemuromo.
"Wakajaidzwa murume iwe! Ndasi
ndinokuponda chete!" Shuviro akange
ave kuitawo seabatwa nemweya.
Akarova Porunobva nerukuni
rwaainge akabata kusvikira murume
ongogomera.
"Chimurega muzukuru unotiparira
ngozi pamusha pano."

412
"Nhasi ndinomuuraya chete ambuya.
Murume uyu ane moyo wenyoka
chaiwo. Regai afe, ngozi tinoripa."
Shuviro akadaro achingozvindikita
Porunobva chete.
"Shuviro! Iwe Shuviro! Ukaramba
uchidaro unobva pamusha pangu
pano." Chembere yakange yashatirwa
zvino. Shuviro akati tumbi, rukuni
rwuya rwuchingove muruoko rwake.
Izvozvi ainge ofemereka somunhu
ange achimhanya pamujaho.
CHITSAUKO 20
"Ko zvamange muchandiurayazve nhai
sekuru? Maida kuzosara motanda
botso mava imi here?" Chegomo
413
aitaura akavata akazvitsigisa
namagokora ake ose. Porunobva
akange akatiwo zenda pamuti
womutohwe waiva pachivanze
chaMbuya Ziendanegore.
Aingogomera nokushinyirawo achiti
akambozvibata mapipito ake ayo ainge
opisa nokurohwa naShuviro,
omaregedza achibatazve musoro wake
uyo wainge wava nezvinhuku zviviri
nechekugotsi kwawo.
"Kukuuraya handimbokuurayi
muzukuru, asi kuti nhasi
wandishatirisa kwazvo nokuita
kwawaita pamusha pano. Botso harisi
rokutamba naro sezvawaita izvi

414
Chegomo. Kana uri pakutanda botso
hauteyi musungo muzukuru. Chero
ukange waona mwanza wakapfumbira
zvokupfumbira zviya, kudzikira
mikuni kana uri pakutanda botso
kunoyera muzukuru. Chaungatoita
chete kubata nzira dzauri kufamba
nadzo kuitira kuti usazorasika
pakudzoka kana wazopedza kutanda
botso rako iri." Porunobva akataura
zvinyoronyoro, achiita somunhu ane
usimbe hwokutaura. Izvozvi aipota
achiteerera nyama dzomuviri wake
dzainge dzomurwadza kwazvo.
"Haiwawo. Munoti handizivisu kuti
mhandara yataona pano iyi

415
yakutoraiwo moyo sekuru...?"
Chegomo akagama Porunobva
namashoko aya.
Zvikanzi naPorunobva, "Handizvo
muzukuru. Isu ngatichiregai
kusweropedza nguva tichiropota
zvinhu zvisina nematuro ese pamusha
pano. Ngatichisimukai tidzokere
kumuzinda. Zviyo zvedu ndinoona
sezvokwana ini."
"Haiwawo! Kumuzinda kupiko
kwatichadzokera sekuru? Ngatibvei
zvedu pano tozoronga tave kure
nenzeve dzavanhu." Chegomo akadaro
achedza kusimuka asi ainzwa simba
richiri shoma mumuviri wake. "Ini
416
simba ndiro randitiza sekuru.
Mochitongosenga zvenyuzve tswanda
iyi mega. Ndiwo muripo wangu
iwoyu." Apa akange aita zvokuchigara
zvino.
"Zvino ndingachidini ini ndine mhaka
newe muzukuru. Ndotongosenga
zvangu, ndizvo zviripo."Porunobva
akati kwanyanu ndokundomira
atarisana netswanda yavainge vabva
nayo iye.
Zvaitaura varume vaviri ava Mbuya
Ziendanegore vainge vakateerera
zvavo vari mumba mavo. Uyuwo
Shuviro ainge azomhanyira kumuzinda
kwamambo neshoko rezvainge
417
zvaiitika pamusha paMbuya
Ziendanegore. Achinozvinosvika
kumuzinda, Shuviro akawana mambo
vakagara naVaMuchairipa
naVaGodzamuto. Vanakomana
vaVaMuchairipa nevaVaGodzamuto
vainge vambodzokera kumisha yavo
vomirira shoko rokudzoka
kwaChegomo naPorunobva.
Shuviro haana kuda kuswerotenderera
zvaakange ave pamuzinda. Akapira
chifamburwa chake kuna mambo
neveimba yake vaivapo panguva idzi.
Mambo nevemhuri yake vachinzwa
nyaya yakange yauya naShuviro
vakatsamwa kwazvo. Mambo akaraira

418
varwi gumi kuti vaende naShuviro
vandotora Chegomo naPorunobva
vouya navo kumuzinda. Shuviro
nevarwi vakapinda munzira vonanga
Kumupata weRenje. Vachinosvika
pamusha pambuya Ziendanegore,
vakawana Chegomo naPorunobva
vasisipo. Izvi zvakanetsa Shuviro kuti
varume vaainge asiya vakadi rabada
pachivanze chambuya vake vakange
vazobviswa nani. Shuviro akabvunza
Mbuya Ziendanegore zvakange
zvazosara zvichiitika kuna Chegomo
naPorunobva. Mbuya Ziendanegore
vakamupindura vachiti, "Varume
vamunobvunza vabva pano zvino
zvino. Vaenda nenzira yokumuzinda
419
iyoyi yamabva nayo iyi. Zvino kana
imi muchiti hamuna kusangana navo
zvinenge zvoreva kuti pane pavari
pedo pedo nepano."
"Ko tswanda yavo yezviyo yaenda
kupi nhai mbuya ?" Shuviro
akabvunzazve mbuya Ziendanegore
achakangomira.
"Tswanda vaenda nayo muzukuru.
Yange yakasengwa nouya wawati
anonzi Porunobva uya." Mbuya
vakapindura, Shuviro ndokutendeukira
kuvarwi ovatarisa nechiso chaiiti,
'Muri kungozvinzwirawo mega.' Varwi
havana kuda kuzoenderera mberi
nokutsvaga vanaChegomo.
420
Vakadzokera kumuzinda vangori
maoko chete.
Chegomo naPorunobva zvavakabvawo
pamusha pambuya Ziendanegore
vakanoviga tswanda yaiva nezviyo iya
mujinga reDambiranungu.
Vakambozorora vari mujinga imomo
vachiteerera nyama dzemiviri yavo.
Panguva iyi zviya zvokupokana
zvainge zvisisipo. Vainge votevera
shoko rimwe vachiti zvataurwa
nemumwe ndizvo zvavaiita.
Varume vakazosimuka kubva
pavainge vakambozororera
ndokutanga kukwira zvishona
nezvishoma kusvika vave
421
panhongonya pegomo
reDambiranungu iri. Vave
panhongonya kudaro, Porunobva ndiye
akaunza pfungwa yokuti vambomema
misungo yavo. Chegomo haana
kupokana nazvo. Vakachitanga
nokumema misungo yaiva pedo
nepavaiva vachiti misungo yaiva kure
vaizoimema muzuva ramangwana
mushure mokunge miviri yavo yava
kunzwa zviri nane. Pamisungo
nemikuni yaiva pedo vakawana
pakadzimbwa nungu mbiri. Varume
vakaita sevachasvetuka vakabata
denga nokufara. Vaiziva kuti nzara
hayaizombovavata mumazuva
avaizopedza vari mugomo iri.
422
Vakachizobatirana nungu mbiri dziye
voenda nadzo kubako ravainge
vasarudza kuzogara. Sevanhu vakange
vafamba vasina kana bakstwa zvaro,
Chegomo akaunza pfungwa yokuti
vaite zvokubvura nhungu dziya.
Varume vaviri vakachiita shishi
yokusikira moto padanda romutsubvu.
Nechinguva chisipi moto wakange
wabatira. Matanda matatu avainge
vatsvaga akachinzi kuche kuche oiswa
pamota, nechinguvana zavivi remoto
roririma richibvura nungu dziye.
Kuzoti zvekubvura nungu zvapera,
Chegomo akatora dombo remusarasara
ndokurishandisa kuvhiya nungu dziya.

423
Musi uyu varume vakazorarirodya
nyama yakagochwa zvokuti
vakazoedzerwa vave kudzvova itsvi
nokugutisa.
"Bako rino rakanakisa sekuru zvekuti
hakuna mumwe anombotiona kana
tikagara muno." Chegomo akadaro uku
akavata nemanhede achingotsengera
nyama yenhungu iye.
"Ndatomboda kutaurawo saizvozvo,
asi ndazotya kuti unozoti sekuru vave
kupenga chete." Varume vaviri
vakambosekedzana vachitsenga nyama
zvavo. "Chokwadizve muzukuru.
Ndaitofunga kuti tindotora tswanda
yedu yatakasiya pasi apo tozotokuya
424
zvedu tichizvibikira sadza mubako
muno." Porunobva akadarozve amuka
zvino. Akange ave kukuhwidza moto
uyo wainge wave kumhova mubako
muye.
Chegomo akamuka ndokugarawo
akatarisa mumoto. Akachizoti, "Asi
apa mauya nezano rakanaka chaizvo
sekuru. Ini ndinoona sokuti
kutodzokera kumuzinda
kwaMadyirapanze kwakangofanana
nokuzviturika ura pachitsiga chaipo.
Munoti Chinomukutu haasati ave
kuziva zvatakaita pamusha
pechembere iya here? Zvino kana
akazvinzwa munoti ndipo

425
patichandogashirwa norugare? Handiti
vanototiuraya vachiti takatsamwisa
midzimu yenyika yavo nokuita
kwedu."
Porunobva akabva abata Chegomo
muromo achiti, "Ipo paye tisu
takakanganisa zvikurusa muzukuru.
Ndinoona sokuti tinofanira
kuzodzokerazve kumuzinda kana
chinya chevarume vatakasiyako
chateremira. Hameno kuyi iwe
Chegomo unozviona sei?"
"Ndinowirirana nemi sekuru. Isu
ngatichiitai kuti tiwane hari
dzokubikira nyama yedu iyi kuitira

426
kuti tisazofa nenzara mumazuva
atichagara mubako muno."
"Zvino wati tinodziwanepiko hari
dzaunotaura idzi nhai-we?" Porunobva
akabvunza achikwenya kwenya
musoro zvenhando.
"Izvi hazvifaniri kutinetsa sekuru. Isu
ngatichiswerai tichitsvaga ivhu
rokuumba hari dzedu imo mugomo
muno. Mvura tinongocherawo
mumakuvi akazara muno aya. Kana
hari dzedu dzazotsva, tinofanira
kuzotsvagazve mhangura yokuti
tipfure miseve yokuti tipote
tichivhimisa.."

427
"Chero izvo zvikara zvesango
zvikativinga imo muno hatizoshayi
chokuti tuzvidzivirire nacho."
Porunobva akatenderana naChegomo
varume ndokuzorovera matama pasi
nguva dzaenda kwazvo.
Kunze kuchindochena varume vaviri
vakabuda mubako ravainge varara
usiku hwezuva rakange radarika.
Vakazvitatamura zvainge
zvakasangana nokushama n'ai.
Vakachidzika vachienda kundotora
tswanda yavainge vakasiya mujinga
regomo iri. Vachinosvika pavainge
vakasiya tsvanda iya vakawana
tswanda isisipo. Izvi zvakavavhundusa

428
zvokuti vakatombotya kudzokera
kwavainge vakasiya hope usiku
hwainge hwapfuura. Chegomo ndiye
akazosimbisa Porunobva oti,
"Tswanda yedu yakatorwa navavhimi
venyika yaChinomukutu chete
sekuru."
"Zvino vanogoidini iyo tswanda
yakazara vhenganiswa iyoyo. Vanoti
zviyo zvirimo zvinobikisa sadza here?"
Porunobva akabvunza zvake vave
kuchidzokera pamusoro pegomo
reDambiranungu iri. Izvozvi vainge
vofamba vachimema mimwe misungo
yavo yaiva pedo nenzira yokudzokera
kubako ravainge vasarudza kugara

429
riye. Pakudzokerazve kwavaiita uku
vaipota vachiti vakaona ivhu
repachuru vomborichera vachiisa
mumakwande omutondo. Ivhu irori
vaida kuzoriumbisa hari dzokuti
vagobikira nyama yavo.
Munharaunda yamambo
Chinomukutuwo, shoko rokushaikwa
kwaPorunobva naChegomo
rakapararira nekukasira. Vanhu
vazhinji vakatangazve kutaura vachiti
'Mbuya Ziendanegore ndivo vainge
vanyangarisa varume vaviri ava.'
Vamwewo ndivo vaiti kunyangarika
kwavarume ava kwainge
kwakonzerwa naShuviro uyo wavaiti

430
ainge akapuhwa uroyi naMbuya
Ziendanegore. Izvi vaiti Shuviro ainge
akazviitira kutaridza Mbuya
Ziendanegore kuti ainge ava kugona
kuroya saivo. Mashoko aitaurwa aya
akapindawo nomunzeve dzaShuviro
zvikamurwadza kwazvo. Mhandara
yakaedza kukwidza nyaya iyi
kwamambo, asi naivo mambo
Chinomukutu vainge vasingachadiwo
kuona Shuviro pamuzinda wavo.
Zviitiko zvose izvi zvakasiya Shuviro
avazve nemifungo miviri. Mufungo
wokutanga wakave wokutiza pamusha
paMbuya Ziendanegore achidzokera
kunyika yorukuvhute rwake. Mufungo
wepiri waivazve wokuti atsvage
431
kwainge kwakaenda Chegomo
naPorunobva kuitira kuti azvichenure
panyaya youroyi yainge yotaurika
pamusoro pake. Pakutsvaga pfungwa
yaaizotevedzera pamifungo miviri iya,
Shuviro akasarudza pfungwa
yokutsvaga Chegomo naPorunobva.
Akaonawo kutiza achidzokera
kumusha kwavo sekwaizodzadzisa
mashoko evanhu okuti mhandara iyi
yakange yosutswa nemweya
wokusabvarura gudza.
Mumazuva aita mukurumbira nyaya
yokushaikwa kwaChegomo
naPorunobva, Mandidenha akaitawo
shungu dzokuda kushanyira kumba

432
kwaMbuya Ziendanegore kuti
andonyatsonzwisisa nezvenyaya iyi.
Asati asimuka achienda kumupata
weRenje, Mandidenha akatanga apira
baba vake zvaiva mupfuungwa dzake
nezvechiitiko ichi. VaMuchairipa,
baba VaMandidenha vakamuti,
'kuenda kumusha kwaMbuya
Ziendanegore kwaizoita kuti
Mandidenha akurumidze kuoneka
nyika,' asi Mandidenha haana
kuzviteerera.
Akati, "Uko ndichakusvika chete
baba. Porunobva naChegomo
vanofanira kutsvagwa kusvika
vawanikwa nokuti tikasadaro chete

433
tinomukirwa nemidzimu yenyika ino.
Chegomo anofanira kutanda botso
rake, uyuwo Porunobva anofanira
kupedzisa muripo wake kumuzukuru
wedu.."
VaMuchairipa vakabata mwana wavo
muromo vachiti, "Kumupata weRenje
hakusi kwekutambira Mandidenha.."
Mandidenha akatiwo, "Kumupata
weRenje ndichakusvika chete baba.
Kana ndichinofa ikoko zvingatove
nane pane kugara tichingorega ngozi
dzichidurikidzana nokuda kwekuti
tinotya kufa." Mandidenha akati simu
asina kuoneka ndiye ngori, denge

434
nenzira yaimusvitsa kumupata
weRenje.
CHITSAUKO 21
"Idzo huni dzaunongoti padoko
padoko wandoteza idzi unoda
kuzodzidiniko muzukuru? Unoti idzo
dziri pabakwa idzo tinodzipedza here
mwaka uno? Wadii wagara pasi
wazorora. Nezuva rinopisa iri
ungasazotovata mitezo yorwadza
here?" Mbuya Ziendanegore vakadaro
kumuzukuru wavakange vogara naye,
Shuviro. Panguva idzi Shuviro akange
akamira pakati pechivanze uku ainge
akabata hata yainge yakarukwa
nechitsvatsva kuruoko rwerudyi.
435
Kuruoko rweruboshwe ainge akabata
makavi omutondo ayo aibomha mvura
kutaridza kuti ainge achangobva
mukuchikwa mumvura. Izvi kwaiva
kuitira kuti makavi anyorove
asazonetsa pakusunga svinga rehuni.
Masikati iwaya Shuviro ainge
akapfeka nhahwamaringa dzematehwe
embira idzo dzaainge akasukutirwa
naMbuya Ziendanegore.
"Zvino ndingaswera ndichiiteiko
pamusha pano nhai ambuya? Regai
ndinoteza huni kuitira kuti
musazonetseka kana ndichinge
ndazodzokera kunyika yorukuvhute
rwangu." Shuviro akadaro akachamira.

436
Mbuya Ziendanegore vakagegedzera
zvavo vachinon'ona mazino mashanu
chete ainge ayo angosara mumuromo
mavo. Vaizoti vapedza kunon'ona
kudai vaizobvisa zvidimbu zvenyama
yengururu yavainge vadya nayo
masikati omusi uyu vachizvikandira
pasi. Nyama iyoyi yainge yakabva
kumuzinda waMambo Chinomukutu
nehombarumbe nemunyika iyi.
"A-a! Ndiko kutaura kupi kwauri kuita
ikoko nhai Shuviro? Zvino unoda
ndizosara nani pamusha pano iwe
zvaunoti unoda kudzokera kumusha
kwenyu?" Mbuya Ziendanegore
vakadaro, Shuviro ndokuseka zvake

437
achiti, "Kwaaniko ambuya? Kutaura
kwomunhu ofunga kumusha kwake
chete uku."
"Izvo ndizvo hazvo muzukuru. Unoti
kumusha kune rukuvhute rwako
ungakukanganwa here? Chere ini
zvandiri pano kudai ndinototi dai
ndichine makumbo ndaiswera
ndaapaza masango aya ndichienda
mhiri kwaMutirikwi uko
kumushavkwangu." Mbuya
Ziendanegore vakambonyarara
vachiseka zvavo nomuzukuru wavo.
Vakachizoti, "Ndingazokunonotsa
muzukuru, chienda zvako kuhuni
kwako ugozokurumidza kudzoka."

438
Mbuya Ziendanegore vachipedza
kutaura, Shuviro akabva anyemwerera
ndiye tendeu otora nzira yaikwira
muDambiranungu. Kuenda kwaiita
kuhumi uku kwakange kwave kwetatu
musi uyu. Pfungwa nemoyo wake
ndizvo zvaingomutuma kufunga kuti
aigona kusangana naChegomo
naPorunova mugomo iri. Saka
mhandara yainge yoda kupedza nguva
zhinji ari muDambiranungu.
Chimwezve chaimutuma kudaro
inyaya yokuti pane dzimwe nguva ari
mugomo iri ainzwa sokuti Chegomo
anenge akamutarisa ari pedo naye.
Pane dzimwezve ainzwa sokuti
Porunobva anenge achimuronda pose
439
paaiteza huni ari mugomo iri.
Chaizonetsa Shuviro ndechekuti pose
paaizocheuka achitarisa mativi ose
hapana munhu waaiona. Zviitiko izvi
zvakaramba zvichikwezvera Shuviro
mugomo reDambiranungu umo
maaifungira kuti ndimo maiva
naChegomo naPorunobva.
Zvaakakwira muDambiranungu
panguva idzi, Shuviro haana kutezera
huni mujinga regomo umo
maaigarotezera mazuva ose. Mhandara
yakabatwa nepfungwa yokukwira
panhongonya pegomo chaipo kuti
indoona kuti painge pakamira sei
chaizvo. Akakwira zvishoma

440
nezvishoma uku achakangobata
makavi nehata iya mumaoko ake.
Zvaaifamba kudaro pfungwa dzake
dzaimbopokana nokuti arambe
achikwira kumusoro kwegomo iri
achitya zvikara zvesango zvaiwanikwa
mugomo imomu. Pose paaifunga
nezveingwe, mapere nenyoka zvaiva
mugomo iri, Shuviro aibva amira
achifunga kuti odzokera shure here
kana kuti oramba achikwira
panhongonya pegomo chaipo.
Musikana aizongobatwa nepfungwa
yechauya chauya obva atangazve
kukanda tsoka achikwira. Nekwainge
kwobva ushingi hwake musi uyu
hakuna mumwe aikuziva. Nairo gomo
441
reDambiranungu raitoti zvimwe
mhandara iyi yaiva nechaimutumawo
kudaro.
Shuviro akazosvika panhongonya
pegomo munguva dzemadeukazuva.
Ave pamusoro chaipo akanzwa vhudzi
rake richimira kuti twi seuswa
hwebani. Pakarepo rupundu rwainge
rwakati sarara rwakabva rwabuda
nomuviri wake wose. Pamusoro
peizvi, shiri dzakatangawo kurira
zvaiva reruzha dzichiti 'tsviyo-tsviyo-
bhururu-mha-bhururu-tsviyo-tsviyo.'
Zvadzadaizvi dzaingotenderera nemiti
yomupfuti neyomubvamaropa iyo
yainge ichipa bvute kuna Shuviro.

442
Shure kwepaainge akamira kwaiva
nemasvinga mashanu aiita sechimwe
chikomo mugomo irorii. Pamasvinga
iyaya paiva negutukutu remiti
yemitsviningari nechikato iyo yainge
yakapfekana pfekana ichiita
seyakarukwa nemunhu. Mugutukutu
irori mainzwikwa tsindi dzaichemawo
dzichirovera miswe yadzo pamashizha
emitsviningari iye. Zvipuka zvese
zvesango izvi zvaiita sezvaiipa
Shuviro yambiro yokuti nzvimbo
yaainge akamira yaiva nechikara
chikuru kwazvo. Izvi ndizvo
zvakapinda mupfungwa dzaShuviro,
mhandara ndokubva yasimudza
musoro wayo yoringa mumiti yose
443
yaiva pedo nayo. Izvozvi aiti zvimwe
achaona rumirakuodza, rovambira,
vashe vegomo vakati tandanda
nematazu emiti iyi, asi haana
chaakaona.
Shuviro akamboedza kusvishingisa
achiti ainge angovhundukawo
semunhu aiva ega mugomo umu, asi
vhudzi romusoro wake rakaramba
richimuyeuchidza kuti pane chikara
chaiva pedo naye chete. Zvaairinga
kudaro akacheukira kugutukutu
repamasvinga aye, meso ake
ndokusanganidzana nenyoka mbiri
dzerudzi rweshato. Nyoka idzi dzainge
dzakareba kwazvo uye dziri hobvu

444
hobvu. Mituru yadzo dzose dziri mbiri
yakarovesa Shuviro nehana zvokuti
mhandara yangoridza mhere
kamwechete ndiye mvucha negotsi
ndokumburashikira kunyika yake ega.
Shato dziye dzakazosara dzichipinda
mubako repamasvinga aye dzakati
imwe iri mberi imwe ichitevera iri
shure. Padzakangoti mubako muye
ngori dzese, pakabva panzwikwa
mhere yavanhurume yaindotunga gore
ichibuda nemugutugutu remitsviringari
nechinanga riye. Shiri netsindi dziye
dzainge dzimbori tsviyo kwetsvu
kwetsvu dzainge dzachiti ziro zvino.
Ruzha rwainge rwangosara panzvimbo

445
iyi rwaiva rwevanhurume
vaibongomora mhere yenuro vari
mubako muye, asi hapana akavanzwa.
VaShushiro vangu vainge vakangoti
njodo nomusana vasina chimwe
chavainge vachanzwa kana kuona.
Ainge ave kunyika yake ega yaizihwa
naiye chete.
Shure kwainge kwabviwawo
naShuviro, Mandidenha akasarawo
achisvika pamusha PaMbuya
Ziendanegore achifemera pamusoro
sendere. Zvainge zvaita sokuti
Mandidenha ndiye ainge adzinga
Shuviro pamusha apa nokuti
kungobuda chivanze kwakaita

446
Shuviro, Mandidenha akabawo asvika.
Zvaakasvika kudai, Mandidenha akati
pasi go obvunzana upenyu nambuya
Ziendanegore. Mushure mezvi,
Mandidenha akatanga nokuti,
"Mandiziva here ambuya? Ndini
Mandidenha, mwana waMuchairipa
uyu wepedo nekunhika
yaMadyirapazhe mupfuri wemhangura
wokufa uyu."
Zvikanzi naMbuya Ziendanegore,
"Ndiwe wokusiirwa nhaka yokupfura
mangura nasekuru vako iwe? Zvino
kuno unotsvagei nokunopisa kudai?"
Mbuya Ziendanegore zvavaitaura

447
kudai vainge vakati nde-e pachiso
chaMandidenha.
Mandidenha akashereketa ndokuti,
"Ndakanzwa kuti muzukuru wangu
aitanda botso akasvika nokuno, zvino
kubva musi waabva kumuzinda haasati
adzoka nanhasi."
"Unoreva pavarume vaifamba vari
vaviri here ava?" Mbuya Ziendanegore
vakabvunza.
"Ndivo chaivo ambuya."
"Haiwawo! Hapana zvevana paya.
Handiti ipo pamusha pano
vakatotirambira vachiti havasi kutanda
botso. Zvimwe vakange vatorwa moyo

448
nemhandara yavainge vaona pano."
Mbuya Ziendanegore negore
vakapedzisira nokugegedzera.
Mandidenha akabva ati, "Musikana
wamuri kutaura uyu ari kupi nhai
ambuya? Ko ivo varume ava hamuna
kuzomboona kuti vakazofamba sei
here zvavakabva pamusha pano?"
Akabvunza mibvunzo miviri iyi
yakatevedzana zvokuti mbuya
Ziendanegore vakazoidavira zvavo
umwe umwe iye Mandidenha
akanyarara zvake.
"Musikana wawabvunza uyu abva
pano zvino zvino achikwira
muDambiranungu umu kundoteza
449
huni. Asi kana asina kuenda kure
anodzoka pano iye zvino." Vakamboti
zii vakangotarisa chiso
chaMandidenha. Vakazosimudzira
voti, "Kwozoti panyaya yevarume
vawandibvunza ava. Varume vakabva
pano vachitevedza nzira yokumuzinda
iyi, zvino kana iwe uchiti havana
kusvika kumuzinda zvinenge
zvorevazve kuti pane musha wavari
zvavo." Mbuya Ziendanegore
vachinyarara, Mandidenha akabva
ataura achipokana navo.
"Zvekuti pane pamusha pavari
handifungi kudaro ini ambuya.
Ndinofunga kuti varume ava

450
vakatotiza munyika ino vachienda
kunyika iri kure kwazvo neino. Zvino
kana zvamira saizvozvi zvinenge
zvava kutoda kuti tindogara pasi
namambo kuti tironge mafambisiro
enyaya yokushaikwa kwavarume ava.
Asizve ndisati ndaenda ambuya,
ndinoda kuti ndione mhandara iri
kuchengeta ambuya vangu pano kuti
munhu akaita sei." Mandidenha
akadaro achiringa ringa chivanze
chechembere iyi.
Mbuya Ziendanegore vakati ge ge ge
ndokuchiti, "Ukati hakusi kutsvaga
kuzotizisa muzukuru wangu mukumbo
here uku?" Vakatizve ge ge ge

451
ndokuchiti, "Kana uchida kumuona
mirira zvako anodzoka zvino zvino."
Mandidenha akazoramba zvake ari
pamusha apa akamirira kudzoka
kwaShuviro. Zvaainge akamirira kudai
mbuya Ziendanegore
vaimutsanangurira mawaniro avainge
vakaita Shuviro. Achinzwa tsananguro
dzaMbuya Ziendanegore, Mandidenha
akabva aziva kuti musikana airehwa
uyu aiva Shuviro uya wokuvaera
Shava. Mandidenha zvaakaziva izvi
akatowedzera chidokwadokwa
chokuda kuona Shuviro. Murume
akabva atangawo kuronga zvose
zvaaizoita kana aona Shuviro.
Urongwa hwemusoro wake hwakange
452
huri hwokuti aizodzokera naShuvirl
kunyika yorukuvhute rwake. Mushure
mezvi aizodazve kuti Shuviro
amubikire sadza pamusha pake.
Nguva dzakafamba kusvika zuva
rapota negomo reDambiranungu
Shuviro asati adzoka. Mbuya
Ziendanegore naMandidenha
zvakavavhundusa kuti chii chainge
chabata mhandara iyi
muDambiranungu. Vaviri ava
vakambowirirana nepfungwa yokuti
Shuviro aigona kunge akazowana jaya
rakabvuta moyo wake ndokubva
vambomirirazve vachiti Shuviro
achasvika, asi mhandara haina

453
kudzoka. Kunze kwakazosvika
pakusviba Shuviro asati adzoka.
Mandidenha zvakamurwadza
nokumokododzvora pfungwa.
Akasimuka odzokera kumusha kwake
mushure mokunge avimbisa mbuya
Ziendanegore kuti aizodzoka rungwani
rwezuva raitevera achiuya kuzoona
kana Shuviro akazosara achisvika.
Kuna mbuya Ziendanegorewo,
chembere haina kana kugona kugadza
shambakodzi pamoto. Pfungwa dzayo
dzaingove bararamhanya mumusoro
mavo kuri kutsvaga kuti Shuviro ainge
abatwa nei chaizvo muDambiranungu.
Dai paiva nejaya raifambidzana
nomuzukuru wavainge vogara naye
454
uyu zvavaiziva vangadai vakati,
'Shuviro atiza mukumbo." Zvino naivo
vakange vari murima. Shuviro ainge
akangoti rabada muDambiranungu
zvavaisaziva ivo.
CHITSAUKO 22
Shuviro akapatika kubva kudzikirira
guru riye rainge rambomuputira.
Mhandara yakasimudza musoro
ndokuringa ringa mativi ose ichibva
yatadza kuziva nzvimbo yayaiva
panguva idzi. Pfungwa dzayo
dzakaedza kurangarira zvose zvakange
zvaitika muupenyu hwayo, asi hakuna
kana chimwe chaainge acharangarira.
Shuviro akaedzazve kuti asimuke
455
kubva paainge akazvambarara, asi
akakoniwa sezvo nyama dzomuviri
wake dzainge dzadambuka dambuka
sedzomunhu ainge aswera achitema
gombo. Shuviro ainzwa asina kana
simba mumwongo yemakumbo ake.
Izvi zvakamuvhundusa achibva abatwa
nekutya kukurusa.
Achiri mukati mokutya kudaro,
Shuviro akashingirira ndokukwanisa
kusimudza musoro wake oringa ringa
mativi ose. Ari mukati mokuringa
kudaro, meso ake akasanganidzana
nenyoka mbiri dzorudzi rweshato idzo
dzainge dzakaita zvokumonerana.
Shuviro akacherekedza kunyoka mbiri

456
dziye ndokuona paine vanhu vaviri
pakati pemonerwa renyoka dziye. Izvi
zvakawedzera kumuvhundusa zvokuti
mhandara yakaedzazve kuti isimuke
ichitiza, asi makumbo ayo akange
ongoita setsanga dziri mumvura kuri
kubvunda. Shuviro akati zano nderipi
ndiye regai ndiridze mhere, izwi
ndokuti ndakamedzwa nezviera
zvemuDambiranungu. Izwi rake rainge
ratsvetera seromunhu akange apedza
usiku hwese achiimba. Izvi
zvakamushupazve ndokubva
atsvagazve rimwe zano rokuita.
Pfungwa dzake dzichiri pakati pokuti
chino tsvaru, chino ndochinoita,
chocho hachibudi, Shuviro akanzwa
457
kuti pwa necheshure kwake. Semunhu
aisava nesimba akati tendeu zvinyoro
nyoro meso ake ndokusanganidzana
nevanhurume vaviri vainge vakabata
mapfumo aiti vai vai zvaimutosvora
meso ake. Chiso chemumwe
wevarume vaviri ava akange aita
seachiziva asi ndangariro dzake
dzakatadza kuziva kuti aichizivira kupi
chiso ichi. Shuviro achiri kushamisika
kudaro mumwe wevarume uya
akadanidzira achimhanyira paaiva.
"Uyu ari pano uyu!" Uyu aiva
Mandidenha aidanidzira kuna
Zisorembwa uyo akange achitevera
shure kwasekuru vake.

458
"Asi munomuzivasu zvamati ndiye
musikana watiri kutsvaga sekuru?"
Zisorembwa akadaro achifemeruka
nokukwira makata egomo iri kwaainge
aita.
Mandidenha akaita seasina kunzwa
mubvunzo waZisorembwa ndokuedza
kutaudza Shuviro, asi izwi raShuviro
pakange pasisina. Mhandara yakange
ichingobvunda uku ichitendeka kwaiva
neshato mbiri dziye nemunwe wake.
Varume vaviri vakakanda meso
kwaitendekwa naShuviro vose ndokuti
vhundu vamira vangoti tuzu sevabatwa
nebuka. Shuviro akangoramba
achitendeka uku miromo

459
ichingoshamiswa, asi pasina mashoko
aibuda. Zisorembwa ndiye akazotaura
maringe nezvaiitwa naShuviro.
"Sekuru batai musikana uyo
asatidenhera midzimu yegomo rino
nekutendeka nyoka idzo neminwe
yake. Hamuzivisu kuti zviera
hazvitendekwi neminwe nhai sekuru?"
Izvozvi Zisorembwa aitaura hana ichiti
tigu tigu zvaionekwa pachipfuva chake
icho chainge chakati name name
nechikoko chetsvina. Zisorembwa
ainge akarimirana kumuganhu
nemvura zvokuti vazhinji vakasvika
pakufunga kuti murume uyu aiva

460
akagarwa nemweya wembudzi
wokusafarira mvura.
"Muzukuru pano pakatominama
nechekare. Midzimu yenyika
yakagumbuka. Tarisa Chegomo
naPorunobva vari kusungwa neshato
idzo." Mandidenha akataura akamira
zviya zvemunhu agadzirira kuzotiza
kana nyoka dziye dzaizovavinga.
Chegomo achiti ba zvainge zvarehwa
nasekuru vake akanzwa muviri wake
uchiti tapa tapa nedikita. Chiitiko
chepanhongonya peDambiranungu ichi
chakange chamutyisa zvokuti akange
asingachadi zvokucharamba ari
panzvimbo iyi.

461
"Takatuka Mwari nemidzimu sekuru.
Izvi zviri pano izvi zvinotoda
vasharukwa venyika zvimwe ndivo
vangazvinzwisisa nekuzvigona. Isu
ngatichimhanyirai kumuzinda tinosiya
shoko rezvataona pano izvi.
Tikanonoka varume vaviri ava
vanomedzwa neshato idzi takayeva.."
"Asizve tingaenda tichisiya musikana
uyu pano here muzukuru?"
Mandidenha akabvunza achitendeka
Shuviro.
"Zvino munoda kumusenga muchienda
naye kupi? Munomuziva here
musikana uyu sekuru? Ko icho
chinoita kuti arambewo akati zii paari
462
ipapa chinyi? Tingasengana nemunhu
asingatauri tichiti tinoenda naye kupi?
Hamuoni kuti hazvibudi here sekuru?"
Zisorembwa akarudunura mibvunzo
yose iyi asingapi sekuru vake mukana
wokuti vatange vamupindura
mubvunzo wake wokutanga.
Kuzoti Zisorembwa anyarara,
Mandidenha akachiti, "Uyu musikana
ari papa ndinomuziva muzukuru.
Anobva mhiri kwaNyazvidzi kuvaera
Shava uko. Kutaura kwatiri kuita pano
kudai vokwake vari kumutsvaga.
Uchimuona ipapa ane nyaya huru
youpenyu hwake. Zvino kuti tiende
tichimusiya ndinoona zvisinga...."

463
"Musada kundibata kumeso sekuru.
Musikana uyu makamuzivira kupi?
Kana ari wokuvaera Shava
ngaazvitaurire iye pachake nomuromo
wake pane kuti imi mutaure saizvozvi
zvamaita izvi. Chero muchimuziva
sekutaura kwenyu munoda kuendepi
naye iye asiri weropa rimwe nesu?
Hamuoni here kuti tinenge tazvitorera
ngozi toititzve tsve mumusha medu
sekuru? Kana imi mapokana
nemashoko angu chiregai ini
nditungamire kumuzinda imi mosara
muchiita zvamunoda nemhandara iyi."
Achipedza kutaura Zisorembwa
akaposhera meso ake paimbova
neshato mbiri dziye ndokuona dzose
464
dzisisipo. Chakange changosara chete
varume vaviri vakange vangoti rabada
pasina neari kufurukutika. Izvi
zvakawedzera kumurovesa nehana
achibva ati tendeu asina rimwe shoko
raadoma ndiye tsvedzu tsvedzu
achidzika muDambiranungu achinanga
kumuzinda.
Zvakaenda Zisorembwa, Mandidenha
akasara ndokutekateka Shuviro
odzikaka naye muDambiranungu.
Shuviro ainge akaiswa pamafudzi
aMandidenha maoko achirembera
kumusana kwemurume uyu. Makumbo
ndiwo aive kudivi redumbu
raMandidenha. Shuviro ainge akangoti

465
rembu rembu zvichitaridza kuti simba
rakange rasara shoma paari.
Achindosvika pamusha paMbuya
Ziendanegore, Mandidenha akatsveta
Shuviro mumba yaiva pamusha apa
ndokutsanangurira mbuya
Ziendanegore mawaniro aainge aita
muzukuru wavo. Vachipedza kunzwa
tsananguro dzaMandidenha mbuya
Ziendanegore vakabva
vambonyangarikira mujinga
reDambiranungu ndokuzodzoka zvavo
nechifumuro nemakwande
omurumanyama ayo avakatswanya
tswanya ndokumaisa mumvura
vokurungira Shuviro usvusvu. Vari
mushishi mokugadzira usvusvu
466
kudaro VaGodzamuto vakabva
vasvikawo vachitungamirira chikwata
chevarume vainge vakasenga
Chegomo naPorunobva pahwanyanja.
Vakasvikovati tsve varume vaye
paruvanze rwaMbuya Ziendanegore,
VaGodzamuto ndokudanidzira kuna
mbuya Ziendanegore vachiti, "Huya
pano iwe mwana wemuera Shiri. Buda
udye nyama yako iyi. Haunyari here
kuda kutidyira muzukuru wedu?
Dai..."
Mbuya Ziendanegore vachinzwa
mashoko aya vakati kwanyanu ndivo
panze svaku vachidya gaka mbishi.

467
"Iwe Godzamuto usanditsvaga
somunhu anotsvaga gudukudu pakaki
pemhanje unozvinzwa? Sei uchiita
sezvinonzi ndini chete muroyi
waunoziva munyika muno iwe? Iye
mambo wenyu munomuita ane moyo
munaku here zvaakati mha ipo paye?
Handiti ndiye nyakutodzungaidza vana
ava kuti vasadzoka kumuzinda kwake
achitya kuti uyu muzukuru anozotaura
zvakavanzika zvoupenyu hwake.
Newewo ipapo ..."
"Tibvirepo! Manyepo ose aunotaura
aya Ziendanegore. Iwe nomuzukuru
wako ndimi makatuma zvikwambo
zvenyu kuti zvindouraya varume ava,

468
zvino makadzva, nyama yakaramba
kumwana waChasura anofamba
nerusero." VaGodzamuto vakati ge ge
ge ndokuraira varume vavaiva navo
kuti vasenge hwanyanza huye vaende
kumuzunda.
Nhaurwa yose yakaitwa panze
yakanzwikwa naMandidenha uyo
ainge ave mushishi yokudururira
usvusvu mumuromo maShuviro.
Shuviro yake yaiva yokuti Shuviro
anaye azoenda kundomusiya kumusha
kwavo. Shuviro zvaakapihwawo
usvusvu hwaiva nechifumuro huya
akamboti bwai bwai ndokuti, "Zvose
izvi inyaya yetsvingudzi ambuya

469
nokudaro ini pano handichagari.
Ndinoda mundiperekedze kumusha
kwangu. Ndinodazve kuti
Chinomukutu ange aripo parwendo
urwu nokuti ndiye ane hama
yandipumha uroyi pano. Vokuvaera
Shoko ndinovadawo nokuti ndiko
kumudzi wenyaya ino." Apedza
akavhara maziso ake ndokubatirwa
nehope zvake.
Kumuzinda kwakaenda vanaChegomo
vakandosvikokurungirwa usvusvu
hwainge hwakaiswa chifumuro
zvokuti nenguva isipi varume vakange
vatonaya. Chakasara chichinetsa
pavarume ava inyaya yokuti vose vari

470
vaviri vakange vasisatauri
zvainzwikwa nevamwe.
Chaingoonekwa chete kufamba famba
kwemiromo yavo asi mazwi
asingabudi. Izvi zvakaitazve kuti
vanhu vatangezve urehwa rehwa
hwokuti zvose izvi zvainge
zvakonzerwa naMbuya Ziendanegore.
Vashomawo ndivo vaiti zvainge
zvakonzerwa nemidzimu yenyika
yainge yatsamwa nekuita kwavarume
ava.
Zuva romusi uyu rakazovira vanhu
vatopedza kugadzirira kuti vandosiya
Shuviro kumusha kwake sezvo vaityira
kuti kana mhandara iyi yaizofira

471
munyika mavo yaizovazve imwe ngozi
yaizivanetsa mangwana. Urongwa
hwakava hwokufumirobata jongwe
muromo vachiyambukira mhiri
kwaNyazvidzi kunova kwaiva
kumusha kwaShuviro vondosiya
musikanana uyu.
CHITSAUKO 23
Mambo Chinomukutu, VaGodzamuto,
Mandidenha, Zisorembwa,
VaNdoringepi, VaMarufu, Porunobva,
Chegomo naShuviro vakafumirobata
jongwe muromo voyambukira mbiri
kwaNyazvidzi. Shuviro akaonekana
naMbuya Ziendanegore misodzi iri
pamatama, asi akasiya avavimbisa kuti
472
aizodzoka achivadongorera zvisinei
kuti nyika yavo yaiva kure nomusha
waMbuya Ziendanegore. Mbuya
Ziendanegore vakatenda kwazvo
nenguva yavakange vagara vose
naShuviro achivaitira mibato yose
yemaoko pamusha pavo. Parwendo
urwu Porunobva aishoora varume vose
vaive pakati perwendo urwu achiti
vainge vabvuma kushandiswa
nemunhukudzi sei?
"Ini izvi handioni shumo yazvo ini
Chegomo. Tingasimudzwa naShuviro
kuti tinomusiya kumusha kwake zvine
zvazvinotibatsira here izvi? Ini
ndinoona sokuti Mandidenha ndiye

473
apaka Shuviro mashoko azotisimudza
tose kudai tichienda kunyika yaHera.
Ndinofungazve kuti achiri kurwa daka
nemhuri yedu nokuda kwokumutorera
mukaranga wake kwandakaita..."
"Izvo ndazvifungawo sekuru ndikaona
kuti nyaya yenyu naMandidenha haina
kupera iya. Ndinofunga kuti
madzisekuru angu ainge akabatiswa
pfumbwatwa yokurwira tsvingudzi
chete. Zvino kana zvirizvo nyaya iyi
haiperi sekufunga kwatiri kuita tose
pano. Mhiko dzepfumbatwa
dzinonetsa kutsudunura zvamunoziva
imi. Ipapa pakasagadziriswa nyaya iyi
haiperi inopera norufu rwedu tose

474
pano. Chimwezve ndechinoti iye
mukaranga waMandidenha
wamakange matora uyu haana hama
here zvamakamuviga sezvinonzi
mutorwa asingazihwi kumusha
kwake?" Mubvunzo waChegomo uyu
wakaita kuti Porunobva anzwe hana
yake ichiti dinhu seriva rehwido
rabvutirwa tundyiro. Porunobva
angamboti dzwi achifunga kuti otiza
here kana kuti oramba ari parwendo
urwu. Chimwezve chakamuvhundusa
pakutaurwa kwenyaya yaDudzai
ndechekuti ndipo pakange
pakavambirawo nyaya yake
naChegomo iyo yakapotsa

475
yamuurayisa nenyoka
dzemuDambiranungu.
"Muzukuru nyaya yauri kutaura ine
makuva iyi. Izvozvi pandiri pano
ndinokungura kuti dai ndisina kubvira
ndabatwa neruchiva nekuti zvose izvi
zvingadai zvisipo.." Porunobva
akadaro asati azonzi gwi panzira
naChegomo.
"Mazotaura shoko randaida kuti
mureve chairo sekuru. Ruchiva!
Ruchiva! Ruchiva! Ndirwo
muparanzvongo. Nekwatiri kuenda
uku muchandoonazve kuti shoko irori
reruchiva richindosara nadzo kuvaera
Shava uku. Ruchiva rune ngozi huru
476
sekuru. Ini zvamunondiona ndichida
kutanda botso kudai handiti ndirwo
ruchiva irworwu. Nemi kupara
tsvingudzi kudai handiti ndirwozve
ruchiva?" Chegomo akadaro
achitaudzana naPorunobva vari shure
kwevamwe vese.
"Nhasi ndadzidza muzukuru, asizve
ngozi ingozi inopodzwa nekuripa.
Unoti chero iwo madzibaba angu
andaonesa nhamo tsvuku aya
havadiwo kuripwa vachiri vapenyu
kudai here? Hauni ndichizondawo
botso mangwana ini?" Porunobva
akabvunza ari shure kwaChegomo.

477
"Inga muri kutaura zviri pamuromo
wangu chaizvo sekuru. Sekuru Marufu
ngavaripwe ava nokuti mukasadaro
munotanda botso imi. Kutuka baba
kwamuri kuita uku sekuru.
Chimwezve ndechekuti taurai
naSekuru Mandidenha musvitse shoko
rerufu rwaDudzai kuhama dzake
nokuti mukasadaro zvine ngozizve
izvi." Uyu ndiChengomo aipa
chenjedzo kuna Porunobva.
"Nyaya dzacho dzadzoka dzowanda
kani muzukuru...."
"Ndizvo zvazvinoita kana munhu
abvuma kutongwa neruchiva sekuru."
Chegomo akapindura ave kukanda
478
nhanho kuti vachindobatana nevamwe
sezvo vakange vave kuswedera pedo
nerwizi Nyazvidzi.
Chikwata ichi chakazoyambuka
Nyazvidzi chave kufambira
pamwechete chiine mudungwe
sehondokotowa. Mandidenha somunhu
aiziva kumusha kwanaShuviro ndiye
ainge akatungamira nzira pfungwa
dzichipishana nekuti chii
chaizondoitika mberi kwavaienda.
Chainyanyonetsa ndechekuti
vokumhuri yekwanaShuviro vaiti
mwana wavo ainge akarova kare kare.
Izvi zvakaita kuti Mandidenha amboti
dzwi achifunga kuti oruma vamwe

479
vake nzeve here kana kuti ongovasiya
vari murima rokusaziva zvaiiva mberi
kwavo. Mandidenha akazongoti tendu
ndiye wenyere wenyere okwidza
nenzira yainanga pamusha
paVaChizeze. Hana yake yainge
yongotindimuka sengoma yehokero.
Paiva naShuvirowo, mhandara yainge
yokutura befu kasingaperi. Kudzoka
kumusha kwavo mushure menguva
yakareba kwakange kuchimurwadza
kusvika padzinde remoyo wake.
Chimwezve chinhu chaimurwadza
ndechezviitiko zvakange zvasakisa
kuti azotiza achibva pamusha pavo
nokudaro munhu waaida kutanga aona

480
ndimbuya vake vaChizeze kuti
vamupire zvose zvakazosara
zvichiitika iye asisipo.
Shuviro nechikwata chiye vakasvika
pachivanze chaVaChizeze ndokuwana
pakati ziro pasina kana nechipenyu
chaipfakanyika. Izvi
zvakashungurudza Mandidenha
naShuviro sezvo mumifungo yavo
vose vari vaviri vaiona kutanga
vataura naVaChizeze sepfungwa
yainge yakanaka. Zvino zvavakange
vasvikotambirwa nerunyararo rwaiva
pamusha apa vakamboshaya nezano
rokuita. Mandidenha ndiye akazofunga
pfungwa yokuti vamwe vambosara

481
vakagara pamusha paVaChizeze iye
achienda kumuzinda kwamambo Hera.
Murume akachikanda nhanho achiti
azokurumidza kudzoka paainge asiya
vamwe vake.
Achindosvika kumuzinda Mandidenha
akawana muzinda ungori neveshashiko
chete. Mudzimai waChikunichemoto
ndiye akamutambira ndokumuisa
pachivara. Vaviri ava vakabvunzana
mufaro mushure mezvo Mandidenha
akazokumbira kuziva kana VaChizeze
vakange vambopfuura nokumuzinda
musi uyu. Mudzimai
waChikunichemoto akamboramba

482
akati tsiki tsiki pasi ndokuzotaura pava
paye.
"Hongu ambuya vari pano. Mabvepiko
munotsvaga vamwene vangu?"
"Mandikanganwa here? Ndiri wemhiri
kwaNyazvidzi, kwaChinomukutu
uko." Mandidenha akadaro
achirangaridza mukadzi uye.
"Ho-o zviya. Ndange ndotoshupika
ipapa kuti chiso ichi ndakambochiona
kupi. Ndimi vokumbogarirwa dare
pano muchinzi mainge matapa
mwanasikana wangu handiti?"
Mukadzi uya akabvunza, Mandidenha
ndokupindura achiti "Hongu ndini
amai."
483
"Zvakaoma mwanangu. Musikana
takazomuwana zvedu, asi munhu
pakange pasisina. Midzimu
yakatifuratira isu. Kuti takange tatadze
chaizvo takazvishaira pazvo." Mukadzi
uya akapedzisira nokuti pfiku pfiku,
misodzi ichidonhera pasi. Pose
paitaura mukadzi uyu Mandidenha
ainge akangotsikitsira pasi achishaya
kuti oita sei. Akambobatwa nepfungwa
yokuti audze mukadzi uya kuti ainge
auya nemwana wake asi
zvakamuremera. Akazongoti, "Zvino
ambuya vari papi ndivaone, ndasiya
mikwende yangu pachivanze pavo
ndingawana yatorwa nevane maoko
marefu."
484
Mukadzi uya, mai vaShuviro
vakambotizve zii vachiita somunhu
aifunga zvakadzama. Pava paya
ndokuzoti, "Ambuya vari mumba umo,
asi urwere hwakavadzimba
hwakakomba mwanangu. Zvinhu
zvacho zvinonetsa kuti tizvinzwisise.
Kana zviri kure unovaona vari
chigwindiri chaicho. Zvozoti kana
zvakwidza unototi ranhasi hariviri."
Zvikanzi naMandidenha, "Vari
kunyanya kudzimbwa nei chaizvo?"
"Havana pavanoti apa, avo.
Vakangomboda kuti musoro vomboti
musana. Vakada kuvhumuka zvisina
shumo yose, vochemazve
485
nemudumbu. Urwere hwacho
hunonetsa muzukuru. Vakweguru
vemumusha muno vatombopaza
masango vachienda kumabvazuva uko
kuti vandotsvaga godobori risina muti
unozeza uroyi." Mai vaShuviro
vakadaro.
"Zvino ndinokwanisa kuvaona here?"
Mandidenha akabvunza.
"Huyai muvaone, handiti ndimbuya
venyu here." Mai Shuviro vakati simu
votungamirira Mandidenha kupinda
mumba maiva nomurwere. Mumba
umu maiva navakadzi vamambo hera
nevazukurusikana vavaChizeze
vaipepa murwere. Mandidenha
486
akasvikoti tonono ndokubvunzana
upenyu nevakadzi vaiva mumba muya.
Apedzazvo akaedza kutaudza
VaChizeze avo vainge vakangovata
nedivi rekurudyi vakatarisa kumadziro
kwemba.
"Mandiziva here ambuya?"
Mandidenha akabvunza aswedera pedo
naVaChizeze.
VaChizeze vakagomera vachiedza kuti
vatarise kwaibva nezwi rainge
ravataudza, asi vakakundikana.
Murongo wamambo Hera aiva pedopo
akavabatsira kushanduka
ndokuzovasiya vatarisana
naMandidenha. Meso avo ainge
487
adzokera mukati uku akachena kuti
mbembe. VaChizeze vachiona
Mandidenha vakatambanudzira ruoko
rwavo kwaari ndokubva vati,
"Mhorozve muzukuru. Ko waudzwa
nani kuti ndiri kuno?" Izvozvi izwi
ravo raindandama pavaitaura mashoko
aya.
"Zvandakushayai kumba kwenyu
ndabva ndaziva kuti muri kumuzinda
kuno." Mandidenha akambomira
achinyemwerera ndokuzoti, "Ko
chinyizve chadzimba mai vevana
vangu?"
"Zvakaoma muzukuru." VaChizeze
vakakwanisa kupindura mashoko
488
iwayo ndokubva vanyarara. Meso avo
akatanga kupidiguka piduguka.
Murongo wamambo aiva pedo navo
akamhanyira kuvhara masiso zvose
nomuromo wechembere iye.
Mandidenha achiona izvi akarangarira
kuti munhava yaainge akatakura maiva
nechifumuro chaainge apinhwa
naMbuya Ziendanegore. Chifumuro
ichi chaiva chokuzoshandisa kana
Shuviro aizobatwa neurwe vari
murwendo rwavo. Mandidenha
akavhomora chifumuro chiye
ndokuchitsenga tsenga mumuromo
make. Akachiswedera paiva
naVaChizeze ndokusvipira muto

489
wechifumuro chiya mumuromo mavo.
Apedzazvo akachiti, "Urwere hauna
hama kana mutorwa, regai tione
mugumo wazvo. Tazongoita tisina
kusuma kuvene vomurwere. Ichi
chifumuro chekumakomo ekwedu
chandavapa ichi." Zvaaitaura kudaizvi
ainge akayeva VaChizeze avo vainge
voti bwai bwai nemeso avo ekare.
Meso asina urwere. Meso akazara
upenyu noutano.
"Zvichine basa here nhai mukwambo-
we? Isu chotongoda ndechekuti
murwere anaye chete?" Vakadzi vose
vaiva mumba umu vakadaro
vachiwirirana kuti Mandidenha akange

490
asina kutadza pakuita kwake.
VaChizeze zvavakapihwa chifumuro
naMandidenha vakatanga kunzwa
nyama dzavo dzichinaya. Mandidenha
aona kuti VaChizeze vati pengenu
akakumbira kuti ambondogara kumba
kwechembere iyi akamirira kuti
urwere hwaVaChizeze hupere.
VaChizeze navamwe vose vaiva
mumba umu vakabvumirana nazvo,
Mandidenha ndokuoneka achiti
aizodzoka muzuva ramangwana
achizoona murwere.
CHITSAUKO 24
Kuchikwata chaainge asiya pamusha
paVaChizeze, Mandidenha akasvika
491
neshoko rokuti akange atadza kupinda
mumuzinda sezvo muzinda wainge
wakakombwa nevavengi. Izvi aiitira
kuti Shuviro atye kusvika kumuzinda
sezvo zvaigona kusazopera zvakanaka
kana Shuviro aizondoona VaChizeze
nourwere hwavaiva nahwo.
Mukunzwawo mashoko aMandidenha,
Shuviro akada kuziva kuti vavengi
vainge vakakomba muzinda vaiva
vanhu vakaita sei. Izvi aida kunzwa
kana vavengi ava vaizosiya ambuya
vake VaChizeze namai vake vari
vapenyu. Mukupindura Shuviro,
Mandidenha akamuvimbisa kuti varwi
vaHera vainge vachiedza napose
pavaigona napo kurwisa vavengi ava.
492
Mandidenha akapfuurira mberi
nokuvimbisazve Shuviro achiti kana
varwi vaHera vaizotadza kukunda
mutsekwende iyi, iye aizotorana
naZisorembwa, Chegomo
naPorunobva vondobatsirana nevarwi
vaHera vaye kurwisa mhandu dzainge
dzakomba muzinda wamambo wavo.
Shuviro achinzwa vimbiso dzose idzi
akafara kwazvo. chikwata chose
chazorovera matama pasi mushure
mokunge chadya nyama yemhara
yachainge chabata murwendo rwacho.
Sevanhu vainge vanzwa nyaya yokuti
muzinda waHera wainge
wakakombwa nevavengi varume vose

493
vaiva pamusha paVaChizeze vakavata
hope dzembwa usiku hwemusi uyu.
Vose vaitya kunyatsorovera shaya pasi
vachiti vaigona kuzopepuka mhandu
dzavakombawo naivo. Shuviro ndiye
chete akavata somunhu aiva mumba
chaimo zvisinei kuti ainge akarara
padivi pomoto waainge aveserwa
naMandidenha. Haana zvake zvizhinji
zvaiva mupfungwa dzake kunze
kwekuda kuona mai vake
nyakutumbura nambuya vake,
VaChizeze.
Kumoto waiva navarume, vaiti
wapepuka omborashikira kure
mupfungwa dzake achitsvaga kuti

494
nyaya iyi yaizoguma sei chaizvo.
Mambo Chinomukutu vakarashikirawo
kure kwazvo mupfungwa dzavo
ndokupedzisira nokushoora mwana
werudzi rwavo, Mandidenha.
Mupfungwa dzavo vaiti, "Zvichibvawo
newe Mandidenha. Dai wairiritira
mukadzi nevana vako unoti Dudzai
aizokutiza here achienda nechikomba?
Chero dai aizokutiza zvako
uchimuriritira handiti taiwanawo
shoko rokuhwanda naro tichiti Dudzai
ndiye aive nemarambakugutswa.
Zvino nemamire azvo aya unoti naivo
vaera soko ava vane rimwe
ravachachema naro here kunze
kwokuti vanongoramba vaine ravo
495
rokuti Dudzai akavagana achitiza
nhamo yainge yatambarara pamusha
pake. Izvozvi chitarisa kwazvatisvitsa.
Chiiko chamunotiitira ichi
vakomana?" Musharukwa aibaikana
mukufunga kwaaiita uku.
VaMarufu naVaNdoringepi vaivawo
neshooro imwe cheteyo mumisoro
yavo. Shooro dzavo dzakava
dzokutuka nokushoora wavo
mwanakomana Porunobva zvokuti
varume vakuru vakabatwa
nokushatirwa kukurusa nokuita
kwaPorunobva. Iyewo Porunobva
wacho ainyepedzera kudzifodora
zvake nyamba mupfungwa dzake

496
achipishana nokuti aizopedza sei
nyaya dzose dzainge dzamumomotera
idzi. Mashoko aChegomo okuti
kumusha kwaDudzai kwaifanirwa
kuendwa akamudya moyo usiku
hwezuva iri.
Kuna Mandidenha, Chegomo
naZisorembwa mifungo yavo yaiva
pana Shuviro uyo ainge akavata pake
oga. Waiona varume vatatu vachiti
apepuka osimuka achindokuhwidza
moto wepaive pakavata Shuviro. Izvi
zvakaitika kweusiku hwese kusvika
utonga hwatsvuka. Mandidenha aiti
Shuviro ndiye aizondomutsa imba
yainge yakasiyiwa naDudzai, uyuwo

497
Chegomo achiti Shuviro ndiye aifanira
kuzomubudisa mugota. Zisorembwa
haana chaibatika chaaitaura
mupfungwa dzake, asi runako
rwaShuviro rwakange rwamutora
moyo zvokuti aingoti Shuviro
ndinotomuparika chete.
Kunze kwakazosarochena varume
vese vamuka. Yakange yangova hiri
hiri varume vachitaura zvavo nyaya
dzekumisha kwavainge vabva.
VeMhuri yekwanaPorunobvawo
vaiudzawo vaera Gumbo nyaya
dzekwavo. Mambo Chinomukutu
nevamwe vavo vaitaurawo nyaya
dzenyika yavo. Zvose izvi vaiita

498
vachipana mazano aiita kuti vanhu
vemadzinza ose agare mune
zvakanaka.
Nyaya yakanyanyozuwiwa nemarudzi
maviri aya inyaya yetsvingudzi
nenyaya yekuzvarira. Mambo
Chinomukutu vaiti zvinhu zviviri izvi
zvaidyidzana izvo zvaizoita kuti
mukupedzisira vanhu vaizosara vave
nengozi dzaizovanetsa mangwana.
Mukuwirirana naMambo
Chinomukutu, VaNdoringepi vakati,
"Izvo ndizvo chaizvo Madyirapanze.
Ndinoona sokuti nyaya yekuzvarira iyi
kana yetsvingudzi inofanira
kutsindidzwa kuvapwere vose kuti
499
vazive zvakanaka nezvakaipa. Hongu
tsika yekuzvarira iyi takaisiirwa
namadzibambo edu, asizve kana tsika
iyoyi yakaipa tingachiramba
tichiitevedza here? Hamuoni kuti
tinenge tichiitira vanasikana vedu
utsinye hwakaipisisa? Naiyo nyaya
yetsvingudzi iyi ndiyo imwe inoda kuti
vana vaudzwe kuipa kwayo. Isu
madzibaba edu akasiya atiudza kuti
tsvingudzi inorwirwa nemapfumo kana
nechikwambo, asizve tingachiramba
tichidzidzisa vazukuru vedu tsika iyi
here? Ndinofunga kuti isu vashurukwa
ngatiudzei vana ava kuti ukaona
mukadzi ane mwene wake siyana
naye. Naivowo vakadzi ava vanofanira
500
kuziva kuti kana vawana jaya
ravabudisa munhanga vanenge vasisiri
imbwa inopfukudza. Jaya rakuwana
ndiro rinenge ratova murume wako
pane kuda kuzotsvagazve vamwe
varume iwe uri mumba mune murume
akakubvisira roora. Zvinoitawo here
izvozvo? Hamuoni kuti kuita uku
kunotukisa nesu madzibaba
takakuzvara?" Murume mukuru
akazuwa zvose izvi achitaridza
kurwadzikana kwazvo nevanhu
vanoita gumbo mumba gumbo panze.
"Ndikubatei muromo sekuru." Uyu
ndiZisorembwa aitaura. "Nyaya
yamataura yakanaka chaizvo, asi

501
ndinoona sokuti pane nyaya yamusina
kutaura nomazvo apa. Pane pamataura
zvejaya rinoroora mhandara, ko, ini
ndichida kuita barika ndinoroora
mukadzi akaita sei? Mhandara here?
Chirikadzi here? Kana Mvana?"
Murume akabvunza. Izvozvi mibvunzo
yose iyi yainge iri pariva raaizoda
kuteya pana Shuviro.
Zisorembwa achinyarara, VaMarufu
vakabva vamupindura vachiti,
"Zvebarika izvi hamuchazvigoni
vakomana. Neunyope hwamava nahwo
uhwu barika munoridini? Barika harisi
rokuzadza musha navana bodo. Barika
nderehurudza. Barika nderekuzadza

502
matura muchirima nokushanda
nesimba. Ini pachangu ndakazviedza
izvi ndikaona kuti ndaita mutete
pazviri.
Iye uyu ane nyaya yadai
kuzotisanganisa handiti akange ariita
asi hoyo nhasi aripi. Regai ndikuudzei
vakomana, barika rine pamuromo,
uroyi, rufu nengozi." Vapedza
vaMarufu vakanyarara zvavo,
Mandidenha ndokutaurawo.
"Mashoko amataura Soko andibata
chaizvo. Izvi ndizvo zvandinoda kuti
musiye matiratidza pane kutibatisa
makona anozotinetsazve mangwana.
Imi vakuru ndimi makaona zvose
503
zvakaipa nezvakanaka. Chiregai kuti
isu vadoko tirambe tichifamba nenzira
dzamakaona kuti dzakazara unye
nokuti tingakuvara negwenyakwenya.
Mukagona kutiratidza gwara rakanaka
chete muchaona kuti chero nevazukuru
venyu havazorashiki pakuita zvinhu
zvavo." Mandidenha akambonyarara
ndokuzoshandura nyaya oti, "Ini
chiregeai ndimbondodongorera kana
vavengi vachiko kumuzinda. Kana
ndikawana vachiko totongoronga
imwe hondo inobva ipo pano." Akati
bu bu bu ndiye simu.
Mambo Chinomukutu vakati kwaari,
"Ungwarire Madyira. Muvengi

504
waHera muvengi weduwo nesu nekuti
isu takadai titori vana vanyamunhu."
Mambo vachipedza kutaura
Mandidenha akapinda munzira
okwidza kumuzinda. Akasiya Shuviro
amuka zvake ave kumutsana
navasharukwa vaive pachivara vaye.
CHITSAUKO 25
"Asi vasharukwa vaye vokunzi
vakaenda kundovheneka musha ndivo
vakati beza pachivara apo? Zvino kana
varivo vazoungana kudaro neizve?
Kuti urwere hwambuya hwazovabata
zvakasimba? Kuti..." Mandidenha
haana kuzopedza kupishana
nepfungwa dzake mushure mokunge
505
anzwa izwi rechikadzi raidanidzira riri
shure kwake. Murume akati tsvii,
ndiye tendeu wanei Shuviro ari femu
femu achitevera shure kwake.
Mandidenha zvakamuvhundusa
achibva angoti, "Ko unotsvagei kuno
nhai Shuviro? Wadini wagara
navamwe kumba kwambuya Chizeze
uko? Ko ukabvutwa nevavengi vaHera
ndinozozvitaura ndichiti chinyi?
"Vavengi vapi vaunotaura
Mandidenha? Une zvauri kuvanza
chete iwe. Zvandasara kumba
kwambuya uko ndaona mumwe
mukomana apfuura nepachivanze
pambuya ndikamubvunza nezvehondo

506
yakakomba muzinda iye akati hakuna
kana muvengi akambosvika mudunhu
rino. Zvino iwe vavengi vaunoti vange
vakakomba muzinda nezuro
wakavaona kupi?" Meso aShuviro
ainge atsvuka kuti piriviri zvino.
VaMandidenha vangu vakati boi boi
voshaya kuti vohwanda neshoko ripi.
Asizve wokwamurume
ndowokwamurume paanotorerwa
demo panosara
mutsunetsune(matsurundundu).
Mandidenha akaona kuti kana
aizotaridza kuti mashoko ake ainge ari
emanyepo yaizodzva kwake. Murume
akati, "Ko tingachipedzerei nguva

507
tichida kuyera nyoka negavi. Muzinda
wandaiti wakakombwa ndiwo uyo uri
apo. Ndiwozve muzinda wawati hauna
kubvira wakombwa nemhandu. Zvino
tadini tachingosvika tese tinozvionera
nokuzvinzwira tiri pamwechete."
Achingopedza kutaura akati tendeu
ndiye denge nenzira yainopinda
mumuzinda. Shuviro akateverawo ari
shure moyo wake wave kushushikana
kuti aizononyarira pai kana aizonzwa
kuti kune vavengi vainge vakakomba
muzinda zuva rakange rapfuura racho.
Nerimwe diviwo hana yaMandidenha
yairova achitya kuti Shuviro
aizomupandukira kana aizoziva
chokwadi chezvainge zvaiitika nezuro
508
wacho. Aityazve kuti hama
dzaShuviro dzaigona kuzoramba
kugashira hama yavo vachiti Shuviro
akange ava nenguva atsamhira churu.
Vaviri ava vakazopinda mumuzinda
pasina azombotaura nemumwe. Vose
vakananga padare ramambo sezvo
pario painge pakaungana vanhu vose
vomumuzinda. Mandidenha akabonda
maoko akachonjomara achikwazisa
mambo Hera avo vainge vakati go
pachigaro chavo. Shuviro
akamubatsirawo nenondo dzaisasvika
kure zvadzo. Somutemo wedare,
vanhu vose vaiva padare apa
vakarovawo manja vachibatsira
Mandidenha naShuviro. Mukati
509
mebondwa regusvi iri Chikunichemoto
ainge ari chirichirinde kunan'anidza
Shuviro. Pokutanga akamboti zvimwe
meso ake ainge asina kunyatsoona, asi
paakazorangarira kuti Mandidenha
akange asiya avavimbisa kuti
aizodzoka naShuviro kana achinge
amuwana, Chikunichemoto akabva
angoti kwaku ndokuti, "Imi!
NdiShuviroka uyo?" Pakangobuda
mashoko aChikunichemo aya, vanhu
vose vakati dzvamu vachiti waziva
kwake waziva kwake. Varume
vokunyika yavaera Nyati vakange
vabva mhiri kwaSave vachiuya
kuzorwira tsvingudzi vakambosara
vakagara pasi. Vakazosimukawo
510
vachitiza mushure mekuona kuti
ruzhinji rwakange rwati dzvamu.
Nechavaitiza chaicho havaichiziva.
Mambo Hera, Chikunichemoto,
VaChizeze, Mandidenha naiye Shuviro
ndivo chete vakasara vari padare apa.
VaChizeze vakange vatadziswa kutiza
nokuda kwokuchembera kwavainge
vaita. Mambo Hera naChikunichemoto
vakange vati vaida kunzwisisa chaizvo
chakange chaita kuti Mandidenha auye
nomunhu wavainge vakacherera guva
rake musango. Iyewo Shuviro
aitonetseka mupfungwa dzake kuti
chinyi chaizvo chakange chatizwa
navanhu vose ava.

511
Chakanyanyomunetsa ndechekuti
namai vake nyakutumbura vakange
vatiwo dzveya dzveya vachipota
nematura epamuzinda apa.
Chikunichemoto haana kuda kupedza
nguva akabva angobvunza
Mandidenha chaaida chaicho
pamuzinda. Akati, "Ko unotsvagei
pano nechipoko ichi nhai murume
iwe?"
Zvikanzi naMandidenha, "Uyu
musikana agere papa uyu NdiShuviro
chaiye sezvamunoona imi. Nyaya iyi
ihuru kwazvo zvokuti ini handingagoni
kuireva kwamuri. Zvinodawo iye
Shuviro achizvitaurira nomuromo
512
wake. Chimwezve ndechinoti
muchiona Shuviro agere ipapa
paakagara apa haazivi zvose zvaita
kuti muzomuita chipoko padare pano.
Izvozvozve zvinoda kuti
atsanangurirwe nemi vakweguru.
Chetatu ndechinotizve muchiona tiri
vaviri pano kudai tinewo vamwe
varume vatabva navo kunyika yedu
uko. Pakati pavarume ava tina mambo
Chinomukutu." Apedza akati bu bu bu.
Nguva yose yaitaura Mandidenha iyi,
VaChizeze vainge vakangoti meso avo
name pana Shuviro uku misodzi iri
chururu. Moyo wavo wairwadzikana
kwazvo nokuona muzukuru wavo ari

513
mupenyu. Chimwezve
chainyanyovadzimba pamoyo pavo
ndechekuti nyaya yakange yatizwa
naShuviro pamusha pavo ndiyozve
yavakange vagarira dare musi uyu.
Varume vokuvaera Nyati vakange
vauya kuzoreva mudzimai wavo.
Mudzimai aizondotsiva vakoma vaye
vokuita gumbo mumba gumbo panze.
Nyaya iyoyi yakaita kuti VaChizeze
vanzwe ropa richimhanya mhanya
nomuviri wavo sezvo vaisada kuti
pavezve nomumwe musikana
aizobviswa achitsiva Shuviro.
Chembere yakakaruka yarotomoka
ichitaura kuna Hera nezwi rine ukasha.

514
"Dana mbwende dzose dzatiza idzo
dzidzoke pano. Naivo varume
vokuvaera Nyati avo ngavadzoke
tipedzise dare ravo. Naiyewo
Chinomukutu andanzwa kuti ari
munyika yedu muno ngaauyewo
pachivara chino azonzwawo mashoko
atichataura pano. Ndinoda kuti
naiyewo adzidze zvose
zvichawiriranwa pano. Iri harichasi
dare doko sokufunga kwauri kuita iwe
Hera. Kokorodza vanhu vedunhu rako
rose vaungane nekukurumidza. Tinoda
kugura nyaya yekuzvarira nenyaya
yokurwira tsvingudzi
yamakaremadzwa namadzibaba enyu
varume imi. Tinodazve kuti titsvage
515
mwongo unokonzera zvose izvi touti
pamhenhe chanjama kuitira kuti
vapwere vasazorashika mangwana.
Ngavauye vanhu, ngavauye. Uri
kunonoka Hera-iwe." Chembere
yakapaumba ichiita seyabatwa
nemweya wevari zame. Yapedza
kutaura yakatora bute rayo ndiye
gugugu pachipano. Yazotswinya bute
riye ichiripakira mumhino dzayo ndiye
hotsi hotsi.
Pose paiita VaChizeze izvi, machinda
amambo ainge ari neka neka achiti
anoridza hwamanda yehokero, anorova
ngova yeziviso neanomhanyira kumba
kwaMbuya Chizeze kundotora mambo

516
Chinomukutu nechikwata chakange
chiriko. Nenguva isipi muzinda
waHera wakange wati tsva navanhu.
Vakuru navadiki vose vakange
vakotokera kumuzinda kuti
vandonzwa chakange chasakisa kuti
vadanwe kumuzinda rungwanani
urwu.
Kuzoti vanhu vose vagara pasi, kusiya
kwavashoma vakange vachiri kusvika,
Chikunichemoto akatungamira chita
chose kubvunza mambo upenyu.
Maoko ainzwikwa kuti bu bu bu
achiperekedzwa nemutungagore
wemhururu wainzwikwa uchiti riririri
zvaisvika pazimai renzeve chaipo.

517
Ruzha ruchindoti mbombombo
VaChizeze vakati bu bu bu ndiye
batirei pamakuyo aive pedo navo
ndokuti simu. Chembere yakazomira
yabatira pamudonzvo wayo namaoko
ayo ose. Kusimuka uku ndiko
kwakange kuri kwekutanga kubva
chembere iyi zvayakange yatanga
kurwara mwedzi mishanu yakange
yadarika. Vanhu vazhinji kwazvo
vakashamiswa vachiona VaChizeze
vachimira vega. Urwere hwechembere
iyi hwakange hwatekeshera
nokupwere kwese.
Vanhu vachiri mukati mekukahadzika
uku, VaChizeze vakati, "Ini

518
zvokuchamirira zvipeto zvedare
handichazvigoni. Rino dare ratagara
harina muridzi nekuti nderedu tose.
Zvose zvichabhuyiwa pano
ngazvisvikewo munzeve dzeavo vari
kure nesu," vakambomira,
ndokuzosimudzira. "Nyaya yokutanga
yandinoda kuti nditaure pano
ndeyomuzukuru wangu agere apa uyo.
Shuviro mwanasikana
waChikunichemoto." Misodzi yakabva
yati mokoto pameso avo. "Imi vanhu
venyika ino munoziva zvakaitika
kumuzukuru wangu uyu. Nhasi
zvabuda pacheta kuti paya takapara
ngava. Vokumusha kwomushakabvu
watakatemera rukarwa tichiti mwana
519
wedu tichavawanepi? Ko idzo nguwo
dzomuzukuru wangu dzatakacherera
pasi nomutorwa tichadzitorerwa
naniko? Huya pano Shuviro
muzukuru. Huya." Shuviro akati simu
ndiye nhanho ina kanhu kanhu
ndokundomira ambundirana nambuya
vake. Vaviri ava vakahwihwidza
zvainzwisa tsitsi. Ruzhinji rwainge
rwakangoti pasi tsiki tsiki.
VaChizeze vakachizoenderera mberi
vakabata pamafudzi omuzukuru wavo.
Vakati, "Kwauri muzukuru ndinoti tine
urombo. Tose tiri pano takange tatenda
kuti wakaenda kunyakurova chaiko.
Chakaita tifunge kudaro inyaya yokuti

520
varwi vedu vakauya nomutumbi
wavaiti ndowako. Mutumbi iwoyu
takazoucherera musango pedo
nokurwizi Nyazvidzi uko." Chembere
yakambomira misodzi ichiti do do do
pasi. Vanhu vazhinji vaingodzungudza
musoro nokuda kwemashoko
aVaChizeze.
VaChizeze vakasimudzira, "Zvino
zvawadzoka kudai toti midzimu
yatinzwa, asizve nguva yawadzoka
ndiyo yakaoma muzukuru.
Mumuzinda muno mune hondo.
Hondo yemapfumo chaiyo. Vaera
Nyati vagere apo avo vauya kuzoreva
mukadzi wavo. Mukadzi wavanoda

521
ivo ndewavakazvarirwa
naChikunichemoto baba vako ava. Izvi
zvodzoka zvoreva kuti mukadzi
anorehwa ndiwe muzukuru...."
VaChizeze vachingopedza kutaura
mashoko aya, hwitakwi dzavarume
vaviri vokuvaera Nyati vaye dzakati
nyamu ndokundosvikoti Shuviro
katanu kubva mumafudzi aVaChizeze.
Imwe yehwitakwi dziya yakamuti
pafudzi kandi ndokudanidzira
kuvamwe vayo ichiti, "Mukadzi wedu
tamuwana saka chatichagarira pano
handichioni. Simukai tiende muvasiye
nedare ravo." Panguva idzodzi Shuviro
aiedza kuti apukunyuke kubva pafudzi
rehwitakwi iye, asi akakonewa.
522
Vanhu vose vaiva padare apa
vakatarisa vaera Nyati vaye
vachinonga mapfumo avo pasi kuti
vachienda. Mandidenha zvakamudya
moyo. Chegomo zvakamuvhiringa
pfungwa. Porunobva zvakamupa
chinya zvokuti murume akati kwaku
ndokundomira pamberi pehwitakwi
yainge yakasenga Shuviro iya.
Akachiti, "Uyu handiye mukadzi wako
iwe! Kana uchiti mukadzi wako
sokutaura kwako ndinoda chiredzwa
paroora romusikana uyu. Ndini
ndakamuponesa ini...," Porunobva
asati apedza kutaura akanzi mbama
wadzu neimwe hwitakwi yakange
yabatsira pakukatanura Shuviro pana
523
VaChizeze achibva ati tatari tatari
ndokundomira ave kwakadaro uko.
"Nyaya iyi unoiita yedambe haikona?
Tauya kuzorwira tsvingudzi pamusha
paHera pano kwete zvedambetambe
rezvimatare zvamunoda kutigadza
izvi." Rume rakange rawadzura
Porunobva mbama rakapaumba nezwi
gobvu gobvu.
"Usaitaura sounoudza mudoko
wanzwa? Zvetsvingudzi ndakapinda
mazviri izvi. Iwe kana uriwe mwene
womukadzi ndiwe honzeri iwe. Une
moyo wakasindimara ndakuona."
Porunobva akadzorerawo mashoko

524
kurume riya, asi mashoko ake akaita
kuti Mandidenha ati pasi tsiki tsiki.
Rume rokurova Porunobva riya rakati
muromo nanzvu nanzvu ndiye bwai
bwai serabatwa kumashopeshope.
Rakaedza kuvhika mashoko
aPorunobva, asi VaChizeze vakange
vatomatenga nechekare.
"Wataura sounomuti mumukanwa
muzukuru wangu. Irori rume raunoona
ipapa ndiro mwene womukadzi.
Handizivi kuti raida kuti mukadzi
aitewo sei iro raisweropfimba vakadzi
vane vene vavo. Rinoita resingazivi
kuti dindingwe rinonaka richakweva
rimwe, rokwevewa iro zvanzi pava
525
pavhu dzvuku. Varume muri nyasire
imi. Ndimi vanamuparadzvongo
nokuda kwekuzvitutumadza kwenyu
uku." Chembere yakapopota. Vakadzi
vose vaiva padare iri vakati vahakira.
Imwe mai yakati, "Ivava vanhu ava
vanotidzvanyirira nguva dzose.
Ndivozve vatotishandura moyo yedu
kuti iome sedamba richigere kuibva.
Kuita kwavo kunosvota. Izvozvi tarisai
kuminama kwaita nyaya iri pano iyi.
Shuviro oenda here madzimai?
Oroorwa nerume raasingadi here?
Nokuda kwokuti mhosva yetsvingudzi
ngairipwe? Kwete! "

526
"Kwete! Haaendi! Kwete! Haaendi!"
Vakadzi vose vakarwidzana kudavira
mai iye.
"Chinzwai madzimai-we, zvamataura
zvanzwikwa. Zvava kuda kuti
tichigara pasi tose navarume ivava
nokuti ngozi haisi yomunhu mumwe.
Kana mhaka yaparwa tose tinoziva
kuti inofanira kuripwa, asi tingaripa
mhaka yetsvingudzi nemunhu here?"
VaChizeze vakabvunza, Mandidenha
ndokuti simu achivapindura.
"Izvo hazviiti ambuya. Ini
zvamunondiona pano ndakatorerwa
mukaranga wangu nemurume amire
apa uyu." Mandidenha akatendeka
527
Porunobva, ruzhinji ndokukanuka.
Vamwe vakadanidzira nechinya
vachiti Porunobva aifanira kudzingwa
padare iri, asi Mandidenha akati
hazvaigona.
"Iyo nyaya takaigadzira ikapera. Ini
somutadzirwi ndakaona kuti hongu
chikomba ndimukandashoko, asi
wangu mudzimai ndiye mudzosa rine
muto. Izvi zvakaita kuti ndizofunga
kuregerera mhuri yokundibvutira
mukaranga wangu iyi. Zvino nyaya
yangu yave kwamuri imi vanamai.
Ndanzwa mhere mhere yenyu muchiti
isu varume tisu vana muparamhaka.
Zvino zvatirisu vanamuparamhaka

528
zvamunoziva imi munozobvumirei
shoko rechikomba imi mune musha
wamakavaka. Hamuoniwo kuti mune
ruoko pakuparwa kwengava
dzetsvingudzi idzi?" Vakadzi vose
vakamboita mahon'era vamwe
vachinyara zvaionekwa pazviso zvavo.
"Ipapo wareva muzukuru handipokani
newe. Uhwo hunhu netsika
zvakafumuka. Ndidzo dzatati tituke
tose pano kuitira kuti vapwere vakure
vachiziva ava." Kupedza kutaura
kwakaita VaChizeze rume rainge
rakasenga Shuviro riya rakamutsveta
pasi ndokundogarawo pasi rakazara
nenyadzi.

529
VaChizeze vakachizoenderera mberi
vachiti, "Chokutanga chatinoda kuti
tiwirirane pano ndechekuti ngatisiye
ruchiva. Chikonzero nei ndati
ngatisiyei ruchiva ndechekuti, dai
rusiri ruchiva nyika ino isina
mhirizhonga dzatiri kuona siku
nesikati idzi." Porunobva uyo akange
azogara pasi akatarisana naChegomo
ndokubva vazoteerera zvaitaura
naVaChizeze.
CHITSAUKO 26
"Ruchiva rune ngozi huru hama
dzangu. Regai isu vakweguru titaure
nokuti takaona zvese. Gumbo mumba
gumbo panze, ruchiva. Kuba,
530
ruchivazve. Idzo hondo dzamunoronga
imi vanaHera naChinomukutu inyaya
dzoruchiva dzese idzi. Mumwe anoti
uyu ane pfuma kudarika yandinayo
saka handei tinopamba ngana.
Nemakona muchibata kuti mubudirire.
Kana mazofa ngozi nemakona zvosara
zvichitambudza vapwere vari pano
ava. Shandurai mafungiro enyu
varume. Shandurai mafungire enyu
madzimai-we." Chembere yapedza
kutaura ndokubva yati pasi go ichisiya
Shuviro akamira. Misodzi yainge
ichingochururuka pachiso chake.
Mhandara yakambofunga kugara pasi,
asi yakazozvishingisa ndokutanga
kutaura.
531
Yakati, "Nyaya yataurwa nambuya
pano ndabata shoko rekuti ruchiva.
Shoko irori ndakariona richishanda
mumusha muno pose pandaikura.
Ndakarionazve richishanda kuvaera
Soko kwandakasvika uko.
Ndazorionazve ndave kunyika
yamambo Chinomukutu vagere apa
ava, asizve haisiyo nyaya yandinoda
kutaura pano. Nyaya yangu ndeyekuti
munhu kana asingazogoni kumirira
mhosva dzake ngaagare arega
kudzipara. Handiti imi vakuru munoti
chitema chinodya mwene wacho?
Zvino ini ndinozokwana papi pakuripa
mhaka yetsvingudzi. Ngatizivezve kuti
mushonga wengozi kana mhaka
532
kuripa. Iyi yokuripwa kwemhosva
ndinoisiira imi mambo namakurukota
enyu, asi chikumbiro ndechinoti
musatishandisawo isu vanasikana
kuripa mhaka dzenyu." Akamboti zii
ndokuzoenderera mberi otaura
zvoupenyu hwake. Akati, "Ini kukura
kwangu kwese ndakaona zvakawanda.
Kudzvanyirirwa kwedu isu pwere
kubvira ndichiri kugara pano
pamuzinda. Ndakazobva pano
ndichitiza nyaya yokuzvarirwa
kwandainzi ndakaitwa. Ndakapepereka
nemasango ndokuzondobudira ndava
kuvaera Soko uko. Kuvaera Soko
ikoko ndakanowana kune
zvakangofanana nezvenyika inozve.
533
Ikoko ndakaonawo varume vane moyo
yakaoma sedombo. Varume
vasingazivi pokushandisira simba
ravo. Varume vanoteta badza, asi
kudya vachida. Zvakaitika ikoko
zvakaitika ndokuzonzi ndifambe
fambe nesango. Murwendo rwangu
rwekupepereka nesango ndakaona
varwi vaHera vari mumasango
okuvaera Soko ikoko. Ipapo vaitsvaga
Shuviro wavaisaziva kuti akatizira
kupi. Mukutsvaga kwavaiita uku
vakasanganidzana nemutumbi
womusikana wakange wakati rezu
mumuti. Mutumbi uya vakaukatanura
mushure mokunge vose vawirirana
kuti uyu waiva mutumbi wangu. Zvose
534
izvi zvaive mumeso nemunzeve
dzangu. Varwi vakazotema zimukoko
ziguru ndokuisa mutumbi uya.
Vakazonyangarika vouya kuno.
Iniwo ndakazosara ndichipaza
masango ndonogara kunyika
yaChinomukutu uko
kwandakachengetwa naMbuya
Ziendanegore. Ndiriko, rimwe zuva
ndakaona Chegomo naPorunobva
vachisvika pamusha pandaigara.
Varume ava vaitaridza kuti vaitanda
botso. Neruchiva vakomana vakarwa
vachirwira Shuviro wavaiziva vese.
Zvebotso zviya zvakabvawo zvapatira
ipapo. Midzimu yenyika

535
yakavatsamwira varume
ndokupepereka nesango vondogara
panhongonya pegomo reko rinonzi
Dambiranungu. Zvakazoitika rimwe
zuva ndezvekuti ini ndakazokwirawo
panhongonya pegomo iri
ndokundosangana nemashura
akandirovesa nehana. Varume vaviri
ava vainge vakamonerwa neshato
mbiri izvo zvakaita ndifungire kuti
varume ava vairangwa nevari zame.
Mukupendera rungano rwangu
ndakazozviudza kuti zvose zvatingaita
pasi pezuva pano zvine vari kumhepo
vanenge vachiona. Ndakazoonazve
kuti mamwe matambudziko
atinosangana nawo mumatunhu edu
536
aya akaita sokusanaya kwemwura,
kuwirwa nezvirwere zvendudzi
nendudzi zvinogona kukonzerwa
nokuita kwedu kwakafumuka uku."
Apedza akagara pasi. Vanhu vose
vakagutsurira musoro vachiwirirana
namashoko aShuviro.
Mambo Chinomukutu vakabva vati
kwanyanu vakabata mudonzvo wavo
ndokuti, "Pamusori Shava mwene
wenyika ino, pamusori imi vaera Nyati
nemi veVhudzijena muri pano.
Pamusoroizve vanamai
nyakutitumbura. Ini regai nditange
nokutenda musikana agara pasi uyu
ndokuti mashoko ari pano makukutu.

537
Nyaya yengozi kana yemhaka
yataurika pano iyi ngatisaitorai
zvenhando. Hakuna chimwe chinoitwa
pangozi kunze kwekuiripa. Hakunazve
chimwe chinowanikwa kana wapara
mhaka kunze kwomutongo
unoenderana nezvawapara. Tiri
pamutongo ipapazve ndadzidza kuti
munhu haashandiswi kuripa mhaka.
Chikumbiro changu zvino chava
kwamuri imi mose muri pano kuti
kana mumwe wedu apara mhaka
ngatichiregai kuenda nerweseri tichiti
ndipe mombe ndigokuripisa jongwe,
izvozvo bodo. Ndirwo ruchiva rwuye
rwataurwa pano, rwune ngozi huru. "
Mambo Chinomukutu vakagara pasi.
538
VaNdoringepi vakatiwo simu
ndokutanga vapa rukudzo kuna
mambo Hera navanhu vose vaiva
padare iri. Vakachizoti, "Nhasi
ndinofara, asi ndinorwadziwa.
Mashoko andazosangana nawo pano
anorwadza. Kukura kwose kwandaita
uku ndaisaziva kuti muparanzvongo
wematambudziko ose aya ndiye
ruchiva uyu. Izvozvi kutaura kuno
mhuri yedu iriwo shishi kuvhima
mwanasikana wedu akatsakatika
nenzira isinganzwisisiki, asi
ndinodaira kuti ndiye musikana
wokuunzwa kuno nevarwi venyu
mambo wangu. Ndaizokumbirawo
varwi venyu kuti vatitsanangurire
539
zvishongo zvaiva pamutumbi
wavakaunza kuno uyu. Isu wedu
mwana ainge abva akapfeka chamugo
chaiva nemunhega wechapungu...."
Mumwe murwi akange ari pachikwata
chaitsvaga Shuviro chiya akati
kwanyanu ndokutaura achibata
VaNdoringepi muromo.
"Chamugo chamunoreva ndakachiona,
asi chakange chakawira mungwavava
yamatambo aiva panzvimbo iyi.
Takachisiya ipapo." Apedza akagara
pasi, VaNdoringepi ndochienderera
mberi vachiti, "Ndinotenda kwazvo
mwanangu. Zvose izvi tinoziva
zvaikonzerwa nemhaka yetsvingudzi

540
yainge yakaparwa nomwana wedu. Isu
savakuru takazoona kuti kana
muchinge makanganisa mushonga
kuzvininipisa. Takazoenda
tikanotaurirana navatakatadzira,
muripo ukatemwa tikaripa.
Chikumbiro changu kupwere idzi
ndechekuti musaita ruchiva vazukuru
nokuti zvine ngozi izvi." Vapedza
vakagara pasi.
Vaera Nyati vakange vauya kuzorwira
tsvingudzi vakasimukawo vachitaura.
Mukuru wavo akati, "Nhasi tadzidza
kuti ruchiva ndiye muparanzvongo.
Tadzidzazve kuti tisati tazomhanyira
kuti mushonga wengozi kuiripa

541
ngatitangei tamboedza zvose zvinoita
kuti tisapara ngozi yacho. Shoko irori
ticharisvitsawo nokuna mambo wedu
kuti vazive kuipa kworuchiva zvose
nokuzvarira. Kunemi vaera Shava,
mhaka nemi hatichina yaperera pano."
Murume uya achinyarara mhururu
yaitunga gore yakanzwikwa ichibva
kudivi raiva nemadzimai.
Mambo Hera ndivo vakaita mhunhu
wokupedzisira kutaura padare iri.
Mambo vakati, "Nhasi ndinoda
kutenda amai vangu nyakunditumbura
nokutitaridza nzira yataisaziva tose.
Kukura kwose kwatakaita isu taiti
kuzvarira itsika yakanaka chaizvo.

542
Taitizve barika rakanaka chaizvo.
Taitizve tsvingudzi inorwirwa
nemapfumo kana chikwambo, asi
nhasi ndazoona kuti mushonga wazvo
zvese izvi kurimirana kumuganhu
neruchiva. Kunemi vapwere muri pano
ngazvigare zviri munjere dzenyu kuti
ruchiva ndirwo mudanhangozi
mudzimba dzamuchavamba kana
mazoyaruka." Mashoko amambo
akaperekedzwa nezhowezhowe yainge
yakasangana mheterwa, mhururu
nemaoko airova manja.
MAGUMO

543

You might also like