Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 93

HYMN 1

M'tsvene, M'tsvene, M'tsvene, Mwari wemasimba


Tinomukumbira pamangwanani ese
M'tsvene, Mtsvene, Mtsvene, mune nyasha huru
Mumwe vatatu pamwe chetezve

M'tsvene, M'tsvene, M'tsvene, vese vanodaro


Vakahwararira pamberi penyu Mwari
M'tsvene, M'tsvene, M'tsvene, Vanomunamata
Makange muri munozovazve

M'tsvene, M'tsvene, M'tsvene, zvese zvakasikwa


Zvinokudza imi mukuru kune vese
M'tsvene, M'tsvene,M'tsvene, Makamisa misi
Muri mupenyu nemusiki zve

HYMN 2
Jesu ndishamwari wedu mununuri wakanaka
Tinokomborerwa kwazvo tine hama yakadai
Kuti tichimukumbira anofadzwa kupindura
Anotipa zvakanaka hatichazoshayi chiro

Kuti tinedambudziko kana tinerurunziro


Hatizovi ne urombo tinotenda kuna Ishe
Hativoni imwe hama yakanaka kunge Jesu
Anoziva vanhu vese mukumbire anokunzwa

Kuti tisisine simba rekuita basa rake


Jesu anotipa simba rekuita basa rake
Kana kuti takatukwa tinonyararidzwa naye
Jesu ndishawamwari wedu rudo rwake rwakanaka

HYMN 3
Zuva rangu muponesi Kuno penya apo muri
Ndirambidzei zvakaipa Zvinozondidzikatira

Apo hope dzandibata Ndichengetei nguva dzese


Garai neni pausiku Dzamara murufu rwangu

Ndikomborerei ndichamuka Ndisati ndaenda kubasa


Ndichanaka nepanzira Dakara ndisvike kudenga
HYMN 4
Kuedza kwazosvika kwadzinga rima rese
Vamuka vanhu vese kudzidza Jesu Kristu
Masoko akanaka ouya misi yese
Ekuti vadzimambo vanoda vafundisi

Vonayi vanhu vazhinji vanoda kudzidziswa


Kufamba mune nzira yavanhu vakanaka
Majaya nemhandara vanoda ruponesi
Vababa ne vamayi vanoda nzira itsva

Rwasvika ruponeso rwaMwari nyika dzese


Rwofadza kure kure kumadzinza ese ese
Tapota imi baba pamsana pake Jesu
Kuvaponesa avo vagare mune rima

HYMN 5
Tinomushumirai nhasi zuva renyu
Patiri douyai nhasi zuva renyu
She nyasha mutipei neropa tisukeyi
Rigotinatsa sei nhasi zuva renyu

Tonyengetera SHE nhasi zuva renyu


Nesu vo mutinzwe nhasi zuva renyu
Pazvivi tirwirei SHE mutibetserei
Tigozvivenga sei nhasi zuva renyu

Nzwi renyu tigonzwa Nhasi zuva renyu


Toda kuteerera Nhasi zuva renyu
Tifadzwe SHE naro Ribaye moyo vo
Rigare ipapo Nhasi zuvarenyu.

HYMN 6
Ishe Jesu mose rumbidzai Vatumwa gwadamai
ZvouIshe hwake farirai Kudzai Ishe imi mose
Iye Ishe kudzai

Vasunungurirwa tarirai SHE wenyu chimudai


Nezvipo zvenyu chiuyai Kudzai SHE imi mose
Iye SHE kudzai

Gwayana raShe chivongai Mufiri chitendai


Chengeto yenyufarai Kudzai SHE imi mose
Iye SHE kudzai

Ikoko kuchanzi farai Huyai chigwadamai


Varwirawa vose pfugamai Kudzai Ishe imi mose
Iye Ishe Kudzai

HYMN 7
Jesu She mupenyu hakuchina zvinotyisa
Watipa hupenyu shungu dzose wakapwisa
Hareruya

Jesu She mupenyu zvino suvo reupenyu


Rashamira isu tozosvika'po parufu
Hareruya

Jesu She mupenyu watifira tomutenda


Unonatsa isu Ndiye watinokudzisa
Hareruya

Jesu She mupenyu rudo rwake rwatibata


Hakuchine chinhu chotigurisa ukama
Hareruya

Jesu She mupenyu wakabata ushe hwose


Ngatisiye zvedu kundofara naye chose
Hareruya

HYMN 8
Ndinosimuda She kundibetsera
Nzwi renyu ndigonzwa kundinyaradza

Ndinosimuda She Sarai neni


Ndingazokundavo Muri pandiri

Chorus
Ndotsvaga imi moga Moyo wangu womusuwa
Nditaririre Jesu Ndinyaradzeyi

Ndinosimuda She Pandinofara


Pandotamburavo Musandisiye

Ndinosimuda She Ndinatswe chose


Ndimushumirewo Nomwoyo wose

HYMN 9
Baba ndinofara kwazvo kuti ndidaidzwe nemi
Ndakagara muzvitema ndikapera kusvibiswa
Asi hamusaka ramwa makandida zvenyu Baba

Baba kunakanyi kwenyu nhamburiko dzakaitwa


Kunditsvaka pasi pano ndikawonwa ndiri kufa
Ndikaitwa unopona Tenzi ndinomutevera

Kuti mune basa renyu iro ndaingagone kuita


Ndingafadzwa kuriita ndisingadi muripiro
Ndinodisa kubatira imi basi Tenzi wangu

HYMN 10
Tenzi ari muno mumba make tsvene
Isu vanhu tese ngatinyararise

Apo tichimuno ngainzwikwe zvino


Mikumbiro yedu takanyararisa

Muparidzi wedu ngaapiwe zvino


Mazwi anogutsa mwoyo yedu nhasi

Tenzi tirimiuno mumba yenyu tsvene


Takagaririra takanyararisa

Apo tichimuno tinomukumbira


Tigadzirireyi kunzwa izwi renyu

Apo tichimuno tikomborereyi


Tifarisiseyi tikwadzaniseyi

HYMN 11
Ndakaitirwa nyasha huru Inyasha dzaShe dzoga dzoga
Ndimuponesi wangu zve Zve inyasha dzakandipa
She Rinenge riri nenji guru She Jesu wandifirawo
Ndakanga ndisina kunaka bvazvino ndashandudzwa sei
Ndakanga ndiwandirwe mhaka ini ndaidzipira nei
NdiJesu wandinatsazve Inyasha dzake Iye Ishe

She Jesu ndinotenda zvose zvenyasha dzamakandipa


Ndichanyepera vanhu vese ndichiti Jesu watida
Ndoshuva kuti vamude Vatsvake nyasha dzenyu dzenyu Ishe

She Jesu wangu wovunyoro Mundipe nyasha dzenyu


Mugondisvitsavo kumusoro Kudenga kwamuri imi She
Kwandichando muvonga zve Zvandakapihwa nemi She

HYMN 12
Chiunganai Tikudze Tenzi wedu
Chisimukai Tivambe nziyo yedu
Hareruya Hareruya

Chifarai She wakatiponesa


Bva chikudzayi Wakatiraramisa
Timukudzeyi timukudzeyi

Chimuvongai Nokuti zvirokwazvo


Muchingodai Munomufadza nazvo
Unozvida unozvida

Chitererai Nemi masara shure


Chiswederai Namirireyi kure
Tiimbisei tiimbisei

Chibvumirai Nemiwo ndudzi dzose


Chirumbidzai She wamadzishe ose
Hareruya hareruya

HYMN 13
Mwari ngaave nemi mose dakara tisanganezve
Amutungamirireyi Mwari ngaave nemi mose

Mwari ngaave nemi mose unomuchengeta


Munopiwa mose kudya Mwari ngaave nemi mose

Mwari ngaave nemi mose apo mune madambudzo


Munozobatsirwa naye Mwari ngaave nemi mose
Chorus
Kuti tisangane (tose) Kuti tisangane zve naJesu (naJesu)
Kuti tisangane (tose) Mwari ngaave nemi mose

HYMN 14
Jesu muri zibwero randitsemukirani
Mvura nemaropazve zvabva parutivipo
Ngazvishambe mwoyoyu ndibve mune mhosvani

Handiunze zvipoba ndinotenda kuna She


Handisakanakaba handina masimba wo
Ndinobhururukawo ndisukeyi ndisafe

Apo ndararamawo rufu runo uyawo


Kuti ndobururuka kune denga dzvenero
Zibwe reruponeso Ngandivande kunemi

HYMN 15
Baba wevese tinotenda nemangwanani neusiku
Neruzororo neruchengeto nezvinofadza upenyu hwedu

Tinomutenda nezvekudya nezviro zvese zvatinazvo


Ndizvo nemwoyo inotenda tinomudisa mazuva ese

Asi zvikuru tinotenda nemurumbwana wenyu Jesu


Akatifira kutiponesa nekutitora kudenga rake

Tibatsireyi misi yose kugara zvakanakisisa


Tinoda mwoyo yakarurama inofanana nerudo rwenyu

HYMN 16
Ungatora hako pasi nerufaro rwapo rwese
Ndinotora hangu Jesu nerufaro rwake rwese

Ungatora hako pasi neupfumi hwapo hwese


Ndinofadzwa naye Jesu haazondinyimi chiro

Chorus
Tsitsi dzake zhinji zhinji dzinokwana kune vose
Ruponeso runopiwa Kune vanhu vake vose
HYMN 17
Hapana paasiri wedenga Mambo She
Vari pose wo Patiri ndipo paari She
Mirangariro yese Painokwira po
Kumusoro pasi pese wedenga uripo

Hapane zvinhu zvese zvinodarikwa po


Vanomutenda vose vachachengetwa vo
Mazana adzo shiri nebundo nairo
Yaanguva wo makonye orinda zvosezvo

Zviri munyika yose zviri mumvurawo


Nezvinofamba pose zviri mudengamo
Zviumbwa zvake zvose uchazvinyimireyi
Mazuva ose ose Zvinochengetwa sei

Bva vana vaShe Mambo votaririrwavo


Uri parudyi rwavo nekuruboshwe ko
Pavanoshaiswa samba panhamo dzesevo
Nyangova wo parufu wedenga uripo

HYMN 18
Izwi renyu ndinonzwa rinondidana
Kuuya zvino kunemi ndigosukwa

Ndakamuchinyirai bva mune nyasha


Mangava angu chirashai mugondinatsa

NdiJesu wandida wakandirwira


Unonditungamirira agondisvitsa

Ndotenda ropa sei ndotenda nyasha


Ndotenda Jesu Kristu SHE wakandifira

Chorus
Ndinouya Ishe Zvino neniwo
Ndisukeyi Ishe Ndinatseyi neropa renyu
HYMN 19
Nerudo rwake rwakanaka ndinodisa Jesu
Nekuti anondioda ini Ndinomutevera

Nekuti anondisimbisa ndinodisa Jesu


Mupfumvu dzangu pasi pano ndinomuda kwazvo

Nerudaviro kunaiye ndinomuda Jesu


Kumutevera misi yose ndinomuda kwazvo

Chorus
Ndinodisa Jesu Ndinokudza iye
Jesu unondida ini ndinomutevera

HYMN 20
Tirivana vamambo vamambo vamambo
Tiri vana vamambo toimba parwendo
Jesu mutungamiri isu tichitevera
Tichienda kumusha toimba parwendo

Tinoenda kumusha kumusha kumusha


Tinoenda kumusha toimba parwendo
Tinoenda kumusha uko kusina nerima
Nerufaro toenda toimba parwendo

Nerufaro toenda toenda toenda


Nerufaro toenda toimba parwendo
Hatirege kuimba tese tinofarirana
Dakara tinosvika toimba parwendo

HYMN 21
Jesu wangu wakanaka Jesu wangu uripi
Misi yose ndinotsvaga bvandichamuwanepi
Mwoyo wangu unochema uchanyaradziwa nei
Zvivi zvangu zvinorema bvandicha remudzwa sei

Nyika haingandifadzi zvayo handichazvidi


Ini zvandiri mutadzi shungu dzangu hadzipwi
Dzichapiswa ndichiwana Muponesi Jesu SHE
Ndinoramba ndichidana Jesu wangu uripi
Ngandipiwe mapapiro ndigokwasha Jesu SHE
Ndichafara zuva iro randasvika kwaAri
Wakadana wakanyara vagowana zororo
Vane shungu vachafara neni ndichafarawo

HYMN 22
Husiku ihoho Vose vo Vatapo
Bva vorinda ndi bambo namai
Vasvinura pamwana honayi
Tisvunure nesu

Husiku ihoho Jesu wakatida


Wakauya panyika kudai
Wakaberekwa nhasi, farai
Ngatifare nesu

Husiku ihoho vouranga uko


Vakaona vatumwa vaSHE
Vachiimba zvikanzi rugare
Rwakasvika pasi

Husiku hunowo toda kukudza SHE


Nesu tinomufarirawo
Sezvaita vafudzi uko
Tomuvonga nesu

HYMN 23
Chiponesai vafi nevanopera
Vose vabatwa nezvivi rwirai
Vakagumburwavo muvarumudze
Simba raJesu chivaudzai

Nyangwe voramba vo, nomirira


Kugamuchira vatendeuka
Vagombedzereyi vavuye zvino
Mhaka vachakanganwirwa naye!

Mwoyo womunhu vo, nyangwe washata


Ungazonatswa nenyasha dzaShe
Ungazosiwa zve ukashandurwa
Ungamutsiwa ugotenda zve
Chiponesai vafi sezvamarairwa
Muchasimbiswa naJesu,tsungai!
Nezhira nhete vo muvaratidze,
Muvanyevere SHE unomudai!

Chorus
Chiponesai vafi nevanopera
Vose vabatwa nezvivi rwirai

HYMN 24
Mukai, mukai vatendi She wenyu chirwirai
Vepfumo rake rose mireza simudza
Pakurwa muchakunda She Jesu anemi
Vavengi vagopera Kristu agova She

Mukai, mukai vatendi hwamanda tererai


Indai kupfumo mose,She wenyu teverai
Imi varanda vaShe,huyai mushumirei
Nyangwe munjodzi huru nesimba murwirei!

Mukai, mukai vatendi She wenyu mirirai


Nesimba rako rega, Varume simukai!
Nenhumbi dzose dzaShe mutore chipfekai
Pamunodanwa pose, Musatya chipindai!

Mukai, mukai vatendi Anozopera vo


Mapfumo pano pasi Patairwa nawo
Vakundi vanopiwa Korona ikweyo
Vachazobata hushe Husingaperi'ko!

HYMN 25
Pa pedyo kwamuri Tenzi Ndinobhururuka
Zvitema zvangu zvakawanda Zvinondondomedza

Pa pedyo kwamuri Tenzi Tiri kupfugama


Maropa enyu anesimba Kuti sunungura

Pa pedyo kwamuri Tenzi Toda kuzorora


Kugara nemi misi yese Kunotichenesa
Chorus
Ndichengetei Ndichengetei Ndinomudisa Tenzi
Ndifukidzei Ndifukidzei Nekururama kwenyu

HYMN 26
Ndichaimbira kunaShe nerwo rudo rwake'rwo
Wakatuma mwana wake kundifira ini wo

Ndinowona mazwi ake ari eupenyu wo


Anofadza kure kure kune nyika dzose'dzo

Kuti tichitenda Mwari tinopona kunaShe


Tinozochengetwa naye tichisvika denga'ro

Chorus
Ndichaimba iyi nyaya Ndinopona kuna She
Ndinoimba nengirozi Dzino gara kudenga

HYMN 27
She Jesu ndomudai ndinomutarirai
Mafireni nzwi rangu chionzwai
Mangava chibvisai moyo wose ndomupai
Ndewenyu She

Bva nyasha chindipai Mwoyo wangu simbisai


Ndimutswe zve Zvamakafire'ni
Ndinamatire'mi Chindibetserai zve
Ndimude She

Ndichi muzhira vo Ndisakasvika'po


Ndiberekei She! Chindifambisai
Chinditungamirirai Murima vhenekai
Ndisesedzei

Bva kukasika'po Nairwo rufu wo


Handizotyi She wangu nditorei
Mundigamuchirei Kumusoro Ndikwidzei
Kudenga She

HYMN 28
Nhambo dzinongosiinda Zuva mwedzi gore
Pamakwara edu ose tsoka dzonodzimwa
Pasi tinosishaiwa Chisingazoori
Nhambwe dzinoenda chose Bva tozviudziwa

Madzimambo amboita Tiri sure kwavo


Vana vachazotichema Towa samashizha
Tose tinosingofamba Zhira imwe iyi
Kuzhe kwenyu She wedenga Vanhu vachadini

Mambo pahurombo rwangu Mambo pamufaro


Mambo vo,parufu rwangu Mambo nomubwiro
Nyangwe zvose zvashanduka Munogara henyu
Nyangwe ndofa, ndozorora Muruoko rwenyu

HYMN 29
Tarirai kune nyika uko Nekutenda toona iyo
Mambo vedu vanogarapo Vachingogadzirira isu

Tichazondoimbira apo Nziyo dzavadikanwa vaSHE


Mweya yedu ichafara vo, Ichangozorodziwa naye

Tichandovunganira apo Tichandokudza zita raSHE


Nyasha yake tichavonga vo' Tozopiwa zororo naye

Chorus
Tichando farawo Musiwatichazosvikako
Tichando farawo Musiwatichazosvikako

HYMN 30
Shoko rakarekare ndiudzei irero
RaJesu mukuru Nerudo rwake wo
Ndiudze zvakanaka uchidudzirazve
Ndoshaiwa samba rose Ndongoremerwa sei
Ndivudzevo chinyai Ndigonzwisise'ni
SheJesu unopodza Varwere seni
Ndivudze upamhidze Ndinokanganwavo
Mwoyo' wangu washatiswa Nezvivi zviri'mo

Ndivudze vo zvivuya Urangarire zve


Ini ndiri mutadzi Ndafirwa naye SHE
Ndivudze misi yose Ndivudze zvose'zvo
Zvinozondinyaradza Pandonyunyuta'po

Shoko rekare kare Ndivudzeirero


Nomusi wa wavona Ndichitsawuka'po
Nyangova kana rufu Rwondisvikira vo
Handidi rimwe shoko Ndivudze irero

Chorus
Shoko rakarekare shoko rekunyaradza
Shoko romuchengeti Ndiudzei irero

HYMN 31
Mwoyo yedu ngairege kuchemera vafa
Vese vanotenda Jesu vachaponeswa

Mwoyo yedu ngairege kuva neurombo


Munotenda kuna Mwari tendai zve kuneni

Mwoyo yedu ngairegi kungo chema chema


Jesu wakamuka zvake Nesu tichamuka

Chorus
Ndiye M'ponesi Ndiye M'ponesi
Nerumuko rwedu

HYMN 32
Ndinoda zvikuru kupiwa nduramo
Ndinoda kazhinji kugara nemi'imi
Ndizvozvo M'ponesi ndouya kunemi
Sukai ndichene mumwoyo wangu
Nditorei M'ponesi kuuya Kum'soro
Ndinoda kugara ikoko nemimi
Ndokudza kunemi ndokudza kunemi
Sukai ndichene mumwoyo wangu

Ndinokukumbirai M'ponesi wevanhu


Ndinoda kuita mabasa aMwari
Amakatumira rufaro panyika
Sukai ndichene mumwoyo wangu

Chorus
Ndinofarira sukai ndichene
Ndisukei ndichene kudai semimi

HYMN 33
Tiri pano pamwe tose tachengetwa gore rino
Ngatiudze Mwari wedu naye Tenzi wedu zve

Gore rakatipfuura takaona madambudziko


Asi takapiwa simba Hatisaka kundwa ba

Vamwe vedu vakatorwa basa ravo rakapera


Zvino vanovona Mwari Vano vona Jesu zve

HYMN 34
Tsvakai vose vakarasika nekuvaunza kwaMuponesi
Izwi raJesu kushumaira kuna ivo vari murima

Tsvakai vose vakarasika nekuvaunza kuna Jesu


Kutungamira kuiyo nzira yekuponeswa naye Jesu

Ndizvo tinoda nekuti Jesu watidaidza kumutevera


Kuvabatsira vakarasika nekuna Jesu kuvaunza

Tsvakai vose varimurima nekuvaunza mukupenya


Kuti vawone nzira yaJesu yekuzopinda nayo kumusha

Chorus
Yendai kure (yendai kure) Kumakomwoyo (kumakomwoyo)
Unzai vafambi (unzai vafambi) Kumusha (kumusha)

Pinzai mudanga (pinzai mudanga) RaMuponesi (ramuponesi)


Jesu nyenye (jesu nyenye) Yabaiwa (yabaiwa)

HYMN 35
Jehova wedu wakanaka ari kwese kwese
Chisepe chake chakanaka chiri kune vese

Jehova wedu tinomuda tinomushandira


Hukuru hwake hunopinda kutondera kwedu

Jehova wedu samasimba anoziva zvese


Chigaro chake pakudenga anotonga zvese

Jehova wedu wakanaka wakatitondera


Akapa murumbwana wake kuva Muponesi

HYMN 36
Kwese kwese tinowona vanhu havazivi Kristu
Vakarasikirwa diko vanotadza Muponesi

Vatumei mangwanani vatumei pamauro


Vatumei masikati kune misha yavo yese

Asi isu Baba wedu tine basa rekuita


Tine hama neshamwari titumei kuna ivo

Chorus
Mwari wedu wemasimba Tinzwei tinomukumbira
Tumai vafundisi kuno Kune nyika ine dima

HYMN 37
She ndinonzwa matumira vamwe mweya wenyu
Neni ndinonyengetera donditereraiwo
Neniwo Neniwo Donditereraiwo

Musandidarika Mambo Ndakachinya hangu


Bva mundipe nyasha dzenyu Ndinzwirei urombo
Neniwo Neniwo Ndinzwirei hurombo

Musandidarika Jesu Ndigogara nemi


Ndibatei norudo rwenyu Mundidane neni
Neniwo Neniwo Mundidane neni

Musandidarika Mweya Mugondisvinudza


Zvose zvandapiwa nemi Muzondiratidza
Neniwo Neniwo Muzondiratidza

Rudo rwoWedenga wangu Ropa roMufiri


Uye nyasha dzenyu huru Ndidzigamuchire
Neniwo Neniwo Ndidzigamuchire

HYMN 38
Ndachinya She ndoripa nei
Handina zvose ndoitei
Zvamandifira ndichatyei
Ndowuya ndakadai

Ndachinya ndakashata sei


Bva zvino ndichagarirei
Neropa renyu ndirwirei
Ndowuya ndakadai

Ndachinya ndigamuchirei
Nekanganwiro mundipei
Ndotenda shoko renyu sei
Ndowuya ndakadai

Ndachinya rudo rwenyu She


Runondinatsa mwoyo zve
Runongondipa rugare
Ndowuya ndakadai

Ndachinya misi yose She


Kwamuri ndichawuya zve
Hupenyu hose ndimupei
Ndowuya ndakadai
HYMN 39
Ndinomupa zvose Ndive wenyu chose
Nhambo dzangu ndomupai Nadzo ndigomukudzai

SHE mavoko angu Ndinomupa hangu


Tsoka dzangu naidzo Dzigomufambira wo

Nezwi ndinomupa Rigomuimbira


Nomuromo wangu zve Ngaurevi zvenyu SHE

Pfuma yangu yose Ndinomupa chose


Nemifungo yangu wo Ndimukudze SHE nayo

Jesu kuda kwangu Kuve kuda kwenyu


Mwoyo wangu naiwo Ive imba yenyu wo

Vuye rudo rwangu Ndodurura hangu


Chose ndinozvipe'mi Ndive wenyu moga SHE

HYMN 40
Jesu unondida
Shoko rake ndanzwa
Vana unovada
Simba unovapa

Jesu unondida
Wakambondifira
Wakagadzirira
Pandichanokwira

Jesu unondida
Uri pedyo neni
Kana ndobva pano
Ndondogara naye

Chorus
Jesu wandida
Jesu wandida
Jesu wandida
Ishoko randanzwa
HYMN 41
Musandipfuura Baba Inzwai tochema
Mukakomborera vamwe Musatipfuure

Tinotenda imi Jesu Tinomukumbira


Simba renyu riri Zhinji utiponesa

Tanga tiri kufa isu Imi mauya


Kuzotiponesa isu Vana venyu

Chorus
Jesu Mambo Tochema kwamuri
Mukakomborera vamwe Musatipfuure

HYMN 42
Ndinoziva shamwari Jesu Anopinda vashamwari vose
Ndiye unotipa zvose Ndiye unondibatsira
Jesu ndiye shamwari yoga

Ndinoziva shamwari Jesu Anondibatsira nguva dzose


Wakauya pasi pano Akakwira denga dzvene
Jesu ndiye shamwari yoga

Ndinoziva shamwari Jesu Anogara neni nguva dzose


Anonyararidza vanhu Ndiye anotifarisa
Jesu ndiye shamwari yoga

Chorus
M'ponesi shamwari yangu
M'ponesi shamwari yangu
Ndiye anondibatsira
Ndiye anondichengeta
Jesu Ndiye Shamwari yoga

HYMN 43
Wafa Tenzi wangu Akafira ini
Zvino ndinopona Neri ropa rake Kristu

Ndizvo Tenzi wangu Torai pfungwa dzangu


Ndino dzipa imi Ndiitei mwana wenyu

Torai mwoyo wangu Nendangariro dzangu


Zvishandire imi Tenzi Mwari Baba wangu

Zviro zvakanaka Zvakandinakira


Zvekutenda imi Muponesi wedu Tenzi

Ndizvo tino rimwa Ini ropa renyu


Nemuviri wenyu Kuti tive wanopona

HYMN 44
Wakafa Muponesi wedu Muchengeti wedu
Nekuda isu vashaishi kuti tiponeswe

Wakafa nekuipa kwedu Uko takaita


Hakuna tsitsi dzakadaro Pasi pano pese

Tinonzwa kuti zuva raka Dzima neyo nguva


Nekuti Kristu wakatifira Vanhu vose pasi

Misodzi yedu haikwani Kuratidza rudo


Ndomupa Tenzi mwoyo wangu Nemuviri zvose

Chorus
Ndiwonei Mponesi imi Ndive anotendwa
Pa musi muno tonga tose Muzo nditorera

HYMN 45
Baba mune rudo muno tida kwazvo
Muri makanakisisa kune vanhu venyu

Muno tipa zuva neku tonhorera


Neusiku huno uya kuti tizorore

Muno tichengeta kuti takarinda


Muchinatsa kutimutsa mangwanani ose

Neidzi pfuma dzedu tinopiwa ndimi


Hatingadziwani kwete tinopiwa ndimi

Makatuma Jesu murumbwana wenyu


Kuti atisunungure pakusungwa kwedu
HYMN 46
Vanokomborerwa avo vane mweya wehurombo
Zviro zvese zviri zvavo neumambo hwe Kudenga
Neumambo hwe kudenga

Vanokomborerwa avo vanochema ne zvitadzo


Vachazonyaradzwa kwazvo nekuchizogara neni
Nekuchizogara neni

Vanokomborerwa avo vane mwoyo yakapfava


Vachagara nhaka huru Vachaimba vakudenga
Vachaimba vakudenga

HYMN 47
Murapi m'kuru uripi werudo ndiye Jesu
Anofarisa varombo kuvapa zvekupfeka

Zvitema zvasunungurwa nesimba raka Jesu


Fambai naye kudenga mugare kuna Jesu

Mbiri kuna Mambo Mwari Ndino davira Jesu


Ndinodisa zita iri ramuponesi Jesu

Chorus
Zita rake ritendwe Zita rake rikudzwe
Zita rake riimbwe Jesu hunde Jesu

HYMN 48
Jesu wangu mudiwa Ndinouya kunemi
Zvitema zvandibata Muripo mununuri
Ndivige Ishe wangu Dakara kwanyarara
Munonditungamira Kumusha wekudenga

Ndimi chidziviriro Hakuchina zvechimwe


Musandisiye ndega Ishe Mundibatsire
Ndosimbira kunemi Rubatsiro zve rwenyu
Mundifukidze ini Nemapapiro enyu

Tinoda imi Tenzi Kuti mutiponese


Zvitema zvatinazvo Mutisunungure imi
Dzikayi Tenzi wedu Tiwoneyi imi Tenzi
Tirape nhasi Tenzi Mutisunungure'su
HYMN 49
Zuva guru richauya chitarira richauya
Irairo yakaitwa Ishe vachiti ndichauya

Nyika yedu ichafara Ishe wowuya tichafara


Pamakore uchauya Titarire tichifara

Pachigaro chinobwinya Uchagara achitonga


Ndudzi dzose dzichamira Dzichihuta achitonga

Vokurudyi uchavati Chipindai mumufaro


Makakunda chipindai Mumufaro waShe wedu

Chorus
Tichaimba zuva iro Tichiona Ishe wowuya
Imbirai, farirai Wowuya Ishe wedu
Imbirai, farirai Wowuya Ishe wedu

HYMN 50
Nyengetera Ishe uripo Nyengetera izwi unonzwa
Wakapika chimutenda Nyengetera wodaidzwa

Nyengetera panjodzi wo Nyengetera uchakunzwa


Nhamo dzako uya nadzo Nyengetera unokunda

Nyengetera pakuidzwa Nyengetera ugokunda


Jesu wakamboidzwa Nyengetera wasimbiswa

Nyengetera vimba naShe Nyengetera ukumbire


Simba rake iguru sei Nyengetera unokunzwa

HYMN 51
Ishe unondifambisa Ishoko rinofadza
Pandinoinda pose Uneni misi yose

Parima nepanhamo Pachiedza nomufaro


Parwendo rwangu rwose Uneni misi yose

Ndibate chanza chenyu Ndiite kuda kwenyu


Ndichingotenda zvose Muneni misi yose

Bva kana ndazopedza Mubato wapanyika


Handityi rufu chose Muneni misi yose

Chorus
Ishe unondifambisa Norudyi ndobatiswa
Ndinoda kusesedzwa Zvaanotungamira

HYMN 52
Jesu tawungana pano
Kumuvonga mangwanani ano
Mutifadze pawungano
Muve pedo nesu Ishe

Zvino rima rakainda


Tinotenda matirinda
Mutimutse muchipinda
Nechadzera chenyu Ishe

Tipei mwoyo yakanaka


Mutikanganwire mhaka
Mutinzwewo ,tichitsvaka
Nyasha dzenyu huru ,Ishe

Simbisai mawoko edu


Tichibata basa redu
Chinatsai wo nzira dzedu
Nomufaro wenyu ,Ishe

Muchengete vanhu venyu


Tigotenda shoko renyu
Tichifamba nzira dzenyu
Mutipe rugare Ishe

HYMN 53
Jesu mandibairwa Munemi ndovanda
Ropa rateurwa Rondidzikinura
Ndikanganwirei Ishe zvivi ndibvisirwe

Ndokoniwa chose Mirairo yose


Nyangwe ndikatsunga Ndikashingaira
Mhaka hadziripwi Asi nomufiri

Ndinoshaiwa zvose Nguvo,samba njere


Zvose ndokumbira Ndichigwadamira
Ndichinamatira Chinjikano yoga

Ndichi pasi pano Kukasvika rufu


Pakugurwa uko Ndichengete Jesu
Imi mandibairwa Munemi ndovanda

HYMN 54
Itai Tenzi sezvo munoda Muri musiki ndiri muumbi
Ndiumbei Tenzi sezvo munoda Ndakamirira ndakarindira

Itai Tenzi sezvo munoda Ndakakuvadzwa ndirapei


Simba nderenyu kuda ndekwenyu Ngandiratidzwe mwana waMwari

Itai Tenzi sezvo munoda Bvisai kiupa isai kunaka


Tungamirei zvakarurama Titambirei Baba wedu

Itai Tenzi sezvo munoda Tidzidzisei zvese zvaMwari


Ndigadzirirei imba kumsoro Ndoda kugara nemi Tenzi

HYMN 55
O Mwari ndiri pasi pano (Dzokerera)
O Mwari ndiri pasi pano kutsvaka nyasha dzenyu

Ndisunungurei Baba zvino (Dzokerera)


Ndisunungurei Baba zvino pamsana pake Jesu

Uyai imi Mweya Mtsvene (Dzokerera)


Uyai imi Mweya Mtsvene Mutungamiri wangu

Rujeko rwangu garai neni (Dzokerera)


Rujeko rwangu garai neni Upenyu hwangu hwese

Chorus
Ndotenda kuna Jesu Kristu Ndotenda kuna Jesu
Ndotenda kuna Jesu Kristu Mandipa Ruponeso

HYMN 56
Hakuna hama kupinda Jesu Hakunaba hakuchina
Hakuna mumwe kurapa vanhu Hakunaba hakuchina

Hakuna chipo chikuru zveba Chinopinda Jesu Kristu


Hakuna mumwe munyararidzi Hakunaba hakuchina
Hakuna nguva tisinga konwi Naye Mwari Baba wedu
Hapana nzvimbo asingazivi Hakunaba hakuchina

Chorus
Jesu ndiye shamwari wedu Anonatsa kutungamira
Hakuna hama kupinda Jesu Hakunaba hakuchina

HYMN 57
Wagadzira nhasi here Nzvimbo yake Jesu Kristu
Yekugara mweya wake Wakakumirira iye

Mwari ndiye Baba vedu Isu tiri vana vake


Anotuma Mweya Mtsvene Kuti uzogara nesu

Kuti uchimuda Mwari Unozoponeswa naye


Zvakusina imwe nzira Yaunga poneswa nayo

Chorus
Kuti une nzvimbo yake Mambo weva Mambo vose
Mwoyo wako chizarura Kuti Kristu azopinda

HYMN 58
Kupinda kwaJesu mumusha Kwakanaka kwazvo
Mudungwe wevese mukuru Jesu Mambo wedu

Kufara kwe vese kukuru Vakamukuvira


Nhavani dzemiti michindwi Vakadzifunhira

Zvifuko zvizhinji zvevanhu Zvakawarwa pasi


Kumuvirikidza nesiya Nekumuimbira

Chorus
Hosana Hosana Hosana Kuna Jesu Kristu
Hosana Hosana Hosana Kuna Mambo wedu

HYMN 59
Rudo runotifadza Runonatsa nzira
Runoita titeere Nekuva nemutsa

Pasi pane urombo Kurwara nekufa


Ne rudo tobatsira Vamwe kudavira
Apo basa rapera Totorwa kum'soro
Ngoma yedu toimba NaJesu nerudo

Chorus
Mwari rudo tiri vana vake Mwari rudo tifanane naye
Rudo runotifadza runonatsa nzira Runoita titeere
Nekuva nemutsa

HYMN 60
Muka mwoyo wangu muka fambai pamberi
Mwari anokudaidza Kugara narini

Izwi resimba raMwari Rino kudaidza


Anovapa zvipo zvavo kune vanodisa

Mbowo zhinji dziri pedyo Dziri kunangisa


Siya nzira'yo yakare Muyende kudenga

Muponesi matiisa Munzira kumusha


Kuti apo takwirira Tinozokutenda

HYMN 61
Inzwai iyi nyaya yedu Nyaya yaM'ponesi wedu
Yekuti wakadzika pasi Kuzotikponesa isu

Hakuna umwe wakadisa Kuzvipira kune pasi


Kuita basa rino konja Asi Jesu Kristu basi

Mukumbiriri we vatadzi Uyo waka siya denga


Kutora nzvimbo yangu pasi ini ndisakafanira

Chorus
Ndi Jesu wakatiponesa (NdiJesu wakatiponesa)
Aripi zvino (Ari kudenga) Mukumbiriri wedu tose

HYMN 62
Mwari Baba wangu Ndino vona vanhu
Vakasiya nzira dzenyu Varikurasika

Nehupenyu hwedu Huno dukupiswa


Asi tichitenda kuti Muno gara nesu
Vanhu vano barwa Ivo vanokura
Asi kufa kunouya Mwari garai nesu

Kana tichichema Nema tambudziko


Achapera ndichafara Mwari garai nesu

Chorus
Garai nesu garai nesu Nekusingaperi
Garai nesu garai nesu Nekusingaperi

HYMN 63
NdiJesu Mambo wekudenga NdiMambo weva Mambo
NdiMambo weva Mambo Uyai muhwarare mose

Tarirai Mambo wedu Jesu Wauya memashoko


Wauya nemashoko Uyai muhwarare mose

Madzinza ose mukudzei Uyai muchitenda


Uyai muchitenda Muimbe nziyo dzeku denga

Chorus
Uyai--------------------------------------------------------Uyai
Uyai Uyai Uyai Uyai Uyai
Uyai Uyai tihwarare kuna Mambo Uyai

HYMN 64
Padyo' nemuchinjiko Ndipo ndino gara
Kuwombera imi Muponesi wangu

Padyo' nemuchinjiko Ndino gara hangu


Mvura nemaropa Zvinobuda pano

Padyo' nemuchinjiko Kune samba guru


Pano ndino piwa Mweya weupenyu

Padyo' nemuchinjiko Pakanaka pano


Kusimbiswa ndimi Jesu Tenzi wangu

Chorus
Padyo Padyo' nemuchinjiko wenyu
Kuno buda pano Mvura ye upenyu
HYMN 65
Uya Mweya unoera Uya mundiponese
Mune rudo nechisepe Muno ndipa upenyu
Ndinoziva rwiyo rwenyu Runoimbwa nengirozi
Ndinodisa Mweya wenyu Ndinoziva munondipa

Nemasimba enyu Mwari Tinopona nhasi uno


Nerubatsiro rwaMwari Ndinosvika kudenga
Jesu Kristu wakandida Ini handisakamuda
Ropa rake rakapiwa Kuti ndive neupenyu

Rudo rwenyu ndatambira Nyasha dzenyu dzeupenyu


Muviri yedu yakaneta Inodisa kusimbiswa
Tine nyatwa huru Mwari Munotibatsira kwazvo
Mwoyo wangu ngautorwe Muuite unoera

HYMN 66
Ndawona ropa rakanaka Rakanaka rakanaka
Ndawona ropa rakanaka Rinochenesa mwoyo

Vatadzi vano chenanaro Chenanaro chenanaro


Vatadzi vano chenanaro Vanozochena kwazvo

Yombavha yaka chenanaro Chenanaro chenanaro


Yombavha yaka chenanaro Ropa raMuponesi

Maropa enyu ane simba Ane samba ane samba


Maropa enyu ane simba Kuti chenesa tese

Kudenga tino imba nemi Nziyo dzenyu dzerufaro


Kudenga tino imba nemi Nziyo dzeruponeso

Chorus
Oropa raJesu (O ropa raJesu) Ndochena (Ndochena)
Ndochena kwazvo Zvakanaka zvangu naro

HYMN 67
Uya kuneni iwe une nhamo
Ndinozokupa Ruzororo kuno
Une urombo Nematambudziko
Ndokupa samba Nekufara kwazvo

Imba izhinji Dziriyo kudenga


Dzinozogarwa Nevakarurama
Iwe gadzira Kuendayo kudenga
Ini ndiriko Ndinokubatsira

Vanhu vazhinji vari pasi pano


Vachacheneswa Vachibarwa patsva
Asi vatsvene vanopinda chete
Uya kuneni Ndichakuchenesa

HYMN 68
Ndinouya nemashoko ehupenyu Mashoko erudo rukuru
Baba wedu wakatida zvikuru Anozonotiponesa tose

Ndinouya nemashoko ehupenyu Mashoko anotiponesa


Kuti Jesu vakafira vatadzi Nangisai kuna Jesu Kristu

Ungapone sei nemusi mukuru Musi unotongwa vanoera


Kuti uchiramba Jesu M'ponesi Iye anokuda zvakanaka

Chorus
Nangisai (Nangisai) kuna Jesu Anotiponesa tose
Avo vanotenda Jesu vanopona Nangisai kuna Jesu Kristu

HYMN 69
Kristu Tenzi wakamuka Ha le lu ya
Ingirozi dzinoimba Ha le lu ya
Vanhu vanopindurawo Ha le lu ya
Vese vachiimba pamwe Ha le lu ya

Jesu wakamuka mambo Ha le lu ya


Wakapedza basa rake Ha le lu ya
Wakakunda guva rake Ha le lu ya
Wakatikundira rufu Ha le lu ya

Guva harichina saimba Ha le lu ya


Dombo rakakunguruswa Ha le lu ya
Kristu wakabuda umo Ha le lu ya
Wakakwira kune denga Ha le lu ya

Zvino tinotenda kwazvo Ha le lu ya


Kuti nesu tichamuka Ha le lu ya
Takasikwa kunge iye Ha le lu ya
Tinomutswa zvakadaro Ha le lu ya
Kristu Tenzi wakamuka Ha le lu ya
Wakakunda kufa kwake Ha le lu ya
Wakakwira denga rake Ha le lu ya
Anogara kuna Baba Ha le lu ya

Vanhu vese ngavaimbe Ha le lu ya


Ngavapururudze Mambo Ha le lu ya
Ndiye wakatiunzira Ha le lu ya
Ruponeso rwakanaka Ha le lu ya

HYMN 70
Mweya wakachena Chenesai mwoyo wangu
Dzingai zvitondero zvese Zvinondishatisa

Mweya wakachena Farisai mwoyo wangu


Nguva refu ndakatadza Handisakamuda

Mweya M'tsvene wedu Ndiitei munhu wenyu


Nditongei zvakanaka Muve Mambo wangu

Mweya wekupenya Vhenekerai mwoyo wangu


Dzinga rima rangu rese Kuti ndimuzive

HYMN 71
Hakuna mumwe kunga Jesu Kana nekudenga
Hakuna mumwe wakadaro Anotiponesa

NdiMambo wakatida kwazvo Nerudo rukuru


Zvino tainga takaraswa Akazotitsvaka

NdiTenzi wakatiudzira Kupa mbiri Mwari


Nekusarudza vashamwari Vane rudo chete

Chorus
Tinoda kuimbira Jesu Tichimupa mbiri
Nekuti hatizivi zita Rinokunda iri

HYMN 72
Ingirosi dzinoimba Dzinokuwa nekufara
Denga rese rinofara Mazambara azarurwa
Jesu Mambo wakauya Tenzi wevatendi vese
Jesu wakakwidzwa denga Anembiri yakakomba
Zvino Baba wake Mwari Matomupa simba rese
Honai ari pachigaro Jesu anotonga ega

Jesu wakakwidza denga Zvino watogadzwa Mambo


Anotonga nechisepe Mambo wedu wakanaka
Ngatimuimbire nziyo Ngatikudze zita rake

Chorus
Haleluya kuna Jesu Haleluya kuna Jesu
Haleluya kuna Jesu Haleluya kuna Jesu
Haleluya kuna Jesu Haleluya kuna Jesu

HYMN 73
Uya mweya wakachena Uya kwangu nhasi imi
Mune tsitsi dzakawanda Ndipei Mweya wenyu imi
Ndidzidzisei rwiyo rumwe Rwiyo rwengirozi dzenyu
Ndinofara ndaponeswa Ndizvo ndinomuimbira

Nerubatsiro rwaMwari Ndavapano zvino nhasi


Kuti ndichifadzwa imi Ndingasvika iro denga
Jesu wakanditsvakisa Handisakambo muziva
Akapira ropa rake Kuti ndive nehupenyu

Nyasha dzenyu ndogashira Misi yese yeupenyu


Mwoyo wangu wakaneta Unodisa kuponeswa
Unonyanya kutizira Kune uyo une nyatwa
Torai mwoyo wangu Baba Muite wakanaka

HYMN 74
Tora simbam rake Jesu Nekutambudzika kwake
Kuno kupa simba guru Rekukunda zvinyangadzo

Tenzi ndiye Mambo wedu Tinopiwa simba ndiye


Tinokunda zvinyangadzo Nero zita rake Jesu

Une nyasha huru Jesu Tinonyararidzwa ndidzo


Ndizvo ngatidzikondere Kwese uko tinoenda

Chorus
Zita rake rakanaka Rinotipa kupenya
Zita rake rakanaka Rinotipa kupenya
HYMN 75
Tenzi handinangisi Upfumi hwepasi
Tinochema kupinda Kumusha kumusoro
Mumusha werufaro Uyo munogara
Mutiudze M'ponesi Kuti tichi vayo

Tenzi zvitema zvedu Zvakawanda sejecha


Asi neropa renyu Rino zvichenesa
Zvene nerudo rwenyu Rwekutiponesa
Kubva mukufa kwezvitema zvedu

Musha wakanakisa Dzimba dzekupenya


Nevanhu vane mbiri Nenguwo dzakachena
Hakuna zvakaipa Zvinopinda uno
Ngirozi dzino rinda Here tinowayo

HYMN 76
Ndiri murombo asi Ndachengetwa naMwari
Wandifukidza nguwo Anondipa zvokudya

Kana ndichiteura Anonzwa nguva dzese


Kana ndichikotsira haanakundisiya

Mubati wokudenga Wayiva m'rombo seni


Wakandi paradzira Ropa rakanakisa

Kana ndiri mubasa Anondikomborera


Kuzoti ndabva pano Ndichazorora naye

Zvino ndino mukudza Nokutenda kwaari


Uko kufara kwangu Ndachengetwa naMwari

HYMN 77
Tendai Baba Vekudenga
Mukovi vazvo Zviro zvese
Tendai imi Vakasikwa
Mugere pane Iri pasi

Tendai Imi Ingirozi


Dzigere kuna Baba wedu
Tendai Baba Murumbwana
Nekune Mweya WoMutsvene

HYMN 78
Baba wedu samasimba Taungana pano nhasi
Tiri kuda kupangana Nemabasa enyu nhasi
Isu wachengeto wavo

Tinomukumbira zano Rekutitungamira


Komborerai basa renyu Nekusimbisisa kwazvo
Tiri tore kune vanhu

Mwoyo yedu yazarurwa Kudzidziswa nemi Baba


Kuti basa redu rese Rive rakanaka kwazvo
Nekufadza imi Baba

Tisakanganweba nhasi kutondera nguva dzese


Kuti tive hama dzimwe Tina Baba mumwe basi
Na M'ponesi mumwe chete

HYMN 79
Nhasi ngatimutondere Uyo wakafira vese
Ari kudaidza vese Anovada zviro kwazvo

Zvimwe makafamba kure Kubva nzira yakanaka


Jesu anosunungura Kuti muchitendeuka

Jesu unodisa avo Vanochema nezvitadzo


Anovapa mwoyo mitsva Anoita vana vake

Chorus
Uyai zvino Uyai zvino Uyai zvino kuna Jesu
Musamire Uyai zvino Nguva yakanaka zvino

HYMN 80
Apo Jesu anouya Kutora varume
Anotora vakanaka Avo vano muda
Chorus
Vanhu vake vatsvene Vasina zvitema
Vano enda kudenga Kugara naJesu

Vanhu vake pasi pano Uyai kwaari


Anomuda zvino pano Nerudo rukuru
Chorus
Vanhu vake vatsvene Vasina zvitema
Vano enda kudenga Kugara naJesu
Ngatiyedze misi yose Kufadza M'ponesi
Kuti tizotorwa naye Kudenga kum'soro
Chorus
Vanhu vake vatsvene Vasina zvitema
Vano enda kudenga Kugara naJesu

HYMN 81
Munoita wani imi Muri kufirei vanhu
Mwari wenyu ndinomuda Ndinomuda vanhu vangu
Makasikwa neni mbune Nechisepe chinomuda
Uyai ndinomugashira Mune nzvimbo dzenyu kuno

Munoita wani imi Muri kufirei vanhu


Muponesi anobvunza Muri kundirasirei
Ndakamutambudzikira Kuti mese muponeswe
Zvino mandiramba nei Ndinomuda uyai henyu

Munoita wani imi Muri kufirei vanhu


Ndiri kudaidza imi Kuhupenyu hwekudenga
Pindukai vanhu imi Rasai zvakaipa zvese
Swederai kuna Jesu Munosunungurwa naye

HYMN 82
Tosangana paurwo rwizi Nengirozi dzekudenga
Rune mvura yakachena Tinoshamba mhosva dzedu

Tichafamba nekuimba Misi yese yeupenyu


Pamugano waro rwizi Rwakachena nekupenya

Chorus
Hunde tichazomuona Pauro rwizi rwakachena
Nayo mhuri yavatsvene Tichafara pachigaro

HYMN 83
Kune nyika kudenga raTenzi Nerutendo tichazoiona
Kune musha kudenga raMwari Nerutendo tichandougara

Apo tinozofara neweyo Tichiimba zviimbo naivo


Hatichazo chemeri vanofa Asi tinofarisa zvikuru

Tichazvipa zvitendo nembiri Kuna Baba naJesu kudenga


Toonana nehama dziriko Uko kune upenyu narini

Chorus
Kwakanaka ikoko kune musha waBaba kum'soro
Kwakanaka ikoko kune musha waBaba kum'soro

HYMN 84
Unoneta here hama Unotambudzika
Jesu wati ndino kupa Ruzororo

Unorambira kotambira Vanouya here


Kwese Jesu anodisa Vanhu vese

Kuti ndichimutevera Ndinopiwa iko


Simba rekukunda Satan Nguva dzese

Pakuguma kwe upenyu Ndino wane iko


Unogara nhaka naye Kune denga

HYMN 85
Panyika dziri kure Kuchando zviro kwazvo
Nenyika dziri padyo Kupisa basi basi
Panyika dzemakomo Nedzimwe dzemikana
Wanoti uyai hama Tinoda Mwari wenyu

MaKristu tiri pano Taziva ruponeso


Tonyima iwo here Hupenyu hwedu hutsva
Mashoko akanaka Ngatumwe kune vase
Dakara vanhu vese Vazive Mwari wedu

Mabasa edu tese Kugara zvakanaka


Nekubatsira avo Vasinga zive Mwari
Dakara Jesu Kristu Adzike zvekudenga
Kutonga vanhu vese Kuitan vanhu vedu

HYMN 86
Ndanzwa izwi renyu Richindi shovedza
Rishambidze nemaropa Abva pamuchinjiko

Ndiri akaneta Ndinoshaya simba


Mune simba guru kwazvo Rekundishambidza
Ndinoda masimba Ekuchenesa ini
Ndinoda chipo chaTenzi Simba reUtsvene

Chorus
Ndouya Tenzi Kwamuri Tenzi
Shambidzai ini Tenzi Nemaropa enyu

HYMN 87
Uyai nyamusi vanhu vepasi Madanwa zvino ndiTenzi m'ponesi
Ari pakati pedu nesimba Wati uyai mese

Regai vacheche kuti vauye Ngavafarise nyamusi mumwoyo


Ngavasarure mwana waMwari saM'ponesi wavo

Uyai vabari musazogare sanganai nesu tifare pamwepo


Ngatimukudze mwana waMwari Uyai zvino pano

Chorus
Zvakanaka kuenda kumusoro Kusangana navo vekudenga
Pamwe naJesu Kristu M'ponesi kugara navo iyo

HYMN 88
Ndakarasika kubva kumusha Zvino ndouya
Nzira yangu ine chitadzo Tenzi ndouya

Ndaparadza makore angu Zvino ndouya


Ndapinduka zvitadzo zvangu Tenzi ndouya

Mweya wangu une kurwara Zvino ndouya


Rudo rwangu ndidzorerei Tenzi ndouya

Chorus
Ndouya kumusha Ndapfidza zvivi
Zarurai maoko enyu Tenzi ndouya

HYMN 89
Upenyu hwangu ndinohupa Kuna ‘ye anondida
Pane rwendo kune denga Ngandi fambe nemi

Handinamate nenyore Handinamate naite


Nekuedza kwangu ndiitei ndifambe nemi
Mundi tungamire Tenzi Mundi bidze ‘kumhiri
Ndosvika pazambata Ndibidze kumhiri

Chorus
Ndomugarira imi Tenzi Ndinofara imi zve
Makafira kundiponesa zve Ndinomuda zve

HYMN 90
Ndomutevera Tenzi Jesu (dzokerera)
Makandifira pamuchinjiko Imi muripo wezvitema

Ndomutevera Tenzi Jesu (dzokerera)


Ndakashambidzwa nero neropa Rakaerera pamuchinjiko

Ndomutevera Tenzi Jesu (dzokerera)


Makandibvisa mune pfumvu Umo ndakange ndiri kufa

Chorus
Jesu Tenzi muri Ishe Makauya pasi pano
Toponeswa nekutenda Ndimi Jesu mambo wedu

HYMN 91
Jesu muri nzira yedu Mambo wevaMambo
Tiri pano kuponeswa Kune mhosva dzedu dzese

Imi tsime rekupona Muri tsime rematsime


Tinodisa mvura yenyu Tiponeswe mhosva dzedu

Nhasi tinokudza Jesu Jesu Mwari Tenzi wedu


Toteura nekutenda pamazuva edu ese

Jesu Tenzi muri Ishe Makauya pasi pano


Toponeswa nekutenda ndimi Jesu Mambo wedu

Chorus
Jesu Tenzi muri Ishe Makauya pasi pano
Toponeswa nekutenda ndimi Jesu Mambo wedu

HYMN 92
Baba mune simba rese Ini ndine nungo
Kana mandisiya ini Ndinga endepiko
Makatuma nhumwa yenyu Kutitiziviswe
Makatipa muponesi Wakafira vose

Jesu ndiye mushongedzwi Ane mbiri huru


Wakafira pam'chinjiko Kuponesa vose

Chorus
Ndinotenda Ndinotenda Jesu wakandida
Ropa rake rakakomba Rine simba guru

HYMN 93
Ndanzwa Tenzi wandidana
Ndinomupa mwoyo wangu
Ndinoita kuda kwake (dzokerera)
Ndinodzidza nzira yake
Ndinodisa izwi rake

(dzokerera) Ndochimutevera misi yose

HYMN 94
Isu vatendi tinofara Kufunga basa rake
Rakaitwa pasi pano Rinoshamisa vanhu

Isu vatendi tinofara Kuva neshoko rake


Nekutaura kunaiye Mune izvo zvatinoda

Jesu rufaro rwedu rwese Nemupi weupenyu


Tingadiyi tisiyane Tingaponeswe seyi

HYMN 95
Kana nhamo zhinji dzokukomba
Iwe uchityawo kuparadzwa
Rava zvose zvawakambopihwa
Uchaona zvawakaitirwa

Funga zvose funga zvose Zvaakaita rava zvose


Funga funga zvose zvaakaita
Rava rava zvose
Chiverenga uchazokanuka zvawakapiwa

Chorus
Rava zvose zvakakupa
Rava rava zvose zvaakakupa

HYMN 96
Kana Jesu achidzoka Achaunganidza mabwe
Ose anokosha anobwinya sei

Uchashara ,uchashara Aise kudenga


Mabwe ose akanaka Anobwinya sei

Vanhu vose,vana vose Vanoda She Jesu


Ndiwo mabwe akanaka Anobwinya sei

Chorus
Sechiyedza chezuva
Anovaima zvikuru
Pakorona anobwinya sei

HYMN 97
Ndinomuchema muponesi wangu
Zvandaremerwa nemangava angu
Hakuna umwe ungandiponesa
Wandinoziva

Saka ndauya zvino mberi kwenyu


Zvandinosinzwa riya shoko renyu
Rinotiudza zvamatiitira
Muchitifira

Makandifira, ini ndakatadza


Ndakamunetsa ini mandifadza
Ndakamuramba, imi makanditsvaka
She wakanaka

Ishe wangu, Jesu makandida se-i


Nenyasha yenyu ndaiona ne-i
Ndikaponeswa nounyoro hwenyu
Nokuda kwenyu

Ishe ndibatei noruoko rwenyu


Mundichengete ini Mwana wenyu
Mupinde, ndamuzarurira mwoyo
Jesu Ishe wangu
HYMN 98
Denga rakanaka sei kunopirwa Ishe uko
Nyika yakanaka sei nyangwe iine nhamo wo
Mwoyo wangu woda sei vanotenda kunemi
Unoshuva imi Ishe ndimi mune nyasha zve

Shiri dzinofara sei Dzichibhururuka'mo


Vanofarisisa sei Vanozorodzwa naShe wo
Sechinjiva chiya zve Chakapinda areka
Vanositizira wo KwaShe vagovandako

Vanosingovonga She Nyangwe nhamo iri'po


Mvura inobva pabwe Manna vanopihwa wo
Vowedzera simba DzwaNyasha wo unovapa
Pavandomukudza'po

Baba chindibatsirai Ino nyika yakadai


Ndichengete perekai Nyasha yenyu chindipai
Zuva nhovo ndimi Ishe Chibetsero mundipe
Mwoyo wangu chizorai Nyasha tsitsi burutsai

HYMN 99
Garai neni Usiku hwasvika
Dima rauya Tenzi garai neni
Vamwe vabatsiri Vandisiya
Imi mubatsiri Garai neni

Ndinomuda Imi nguva dzose


Netsitsi dzenyu Dzamakandipa
Ndiani uyo Ungafana Ishe
Mukutambudzika Garai neni

Handitye mhandu Imi muripo


Nhamo yenyika Haindi kundi
Ruripi rufu Harundikundi
Ndino pururudza Garai neni

HYMN 100
Pamuchinjiko PaKalvari
Ndinoona m'chinda uyu Wekudenga
Wakazvipira Pam'sana pangu
Mwari waka ndiwonera Rudo rwake
Musandirege Mufiri wangu
Kuti ndizvikudze asi Ndimukudze
Zviro zvepasi Nepfuma yazvo
Ndinoshora izvo zvino Rwadza imi

Wonai musoro WaTenzi wangu


Nemaoko nemakumbo Nerutivi
Anoyerera Maropa ake
Rudo runondishamisa Ndinotenda

Ndinomupei Nerudo rwenyu


Kana ndine pfuma dzese Handikwane
Torai upenyu M'ponesi wangu
Torai mwoyo wangu tora Zvese zvangu

HYMN 101
Ndinofara kuti Baba wedu Tenzi nerudo rwake rukuru
Parugwaro rwake rwakanaka Wakandiudza Jesu wandida

Kana ndichimukanganwa iye Asi anongondi yeuchidza


Zvino kwaari ndinodzokera Ndofunga kuti Jesu wandida

Jesu anondida ini kwazvo Kuti wandipa hupenyu hwake


Kutadza kwangu wakandifira Ndoziva kuti Jesu wandida

Mwoyo wangu una muyamuri Ndinotenda Jesu munuri


Zvino ndinogomubatirira Nokuti ndanzwa Jesu wandida

Chorus
Ndinofara Jesu wandida Anondida anondida
Ndinofara Jesu wandida Ini anondida

HYMN 102
Nditungamire Baba Nditungamirei kwadi
Ndinofara ndiri wenyu Ndinomuda nguva dzese

Muri bako rakanaka Mumatambudziko ese


Ndachengetwa ndiri wenyu Ndinokoya rudo rwenyu

Tenzi nditungamirei Misi yese yeupenyu


Kune nyika yekudenga Kune musha wakanaka
Chorus
Baba Baba nditungamirirei nhasi
Kuti ndisasiye nzira Nditungamirirei Baba

HYMN 103
Zvakanaka kuva pano Murufaro rwake Jesu
Nekudzidza nzira yedu Paupenyu hwese

Zvakanaka kuva pano Kudzidzira ivangeri


Nekukura misi yose Muhupenyu hwedu

Zvakanaka kuva pano Tichiimba norukudzo


Kuti ati komborere Pahupenyu hwedu

Chorus
Ngatifambe muhupenyu Muhupenyu hwake Jesu
Ngatifambe zvakanaka Muhupenyu hwake

HYMN 104
Kune rwizi rwekushamba Mwoyo yese inorwara
Ropa rake Jesu Kristu Rine simba kuchenesa
Rine simba kuchenesa Rine simba kuchenesa
Ropa rake Jesu Kristu Rine simba kuchenesa

Iyo mbavha yakafara Kuona urwo rwizi


Neni ndinofadzwa naro Kushamba mwoyo wangu
Kushamba mwoyo wangu Kushamba mwoyo wangu
Neni ndinofadzwa naro Kushamba mwoyo wangu

Ropa renyu Jesu Kristu Rine simba kundirapa


Nekutapa vese vese Vanotenda nekumuda
Vanotenda nekumuda Vanotenda nekumuda
Nekurapa vese vese Vanotenda nekumuda

HYMN 105
Vabari vedu vekutanga Vakatadza kwazvo
Kutadza kwazvo kwakaunza Rufu kune vese

Ndizvozvo tese taraswa Kune rufu rwedu


Hakuna umwe wakanaka Tese takatadza

Musiki wedu wakaita tsitsi kune vese


Wakapa Kristu kuponesa Vose vanomuda

Chorus
Jesu wakakufira, Jesu wakakufira
M'ponesi wakafira vese Tinokomborerwa

HYMN 106
Chinyarara mwoyo wangu Jesu ndiye Mwari
Zviro zvese zviri pasi Zvakasikwa naye

Chinyarara mwoyo wangu Una Mambo kwaye


Unotenda kuna Mwari Tenda kuna Jesu

Chinyarara mwoyo wangu Jesu unovaka


Imba yako yakanaka Kune denga rake

Chorus
Kristu uyai Kristu uyai
Hunde uyai Tenzi

HYMN 107
Hama dzangu ngatiimbe nhasi Neruponeso rwedu
Mwari wakauya pasi pano

Farai zvino mune simba hama Neruponeso rwedu


Pakudenga tichafara kwazvo

Nemi munotambudzika farai Neruponesi rwedu


Kuti muchiedza munokunda

Chorus
Neruponesi rwedu Neruponesi rwedu
Ndizvo ngatifare zvikuru Neruponesi rwedu

HYMN 108
Ndoimbira Mununuri Nerwo rudo rwakakomba
Wakaroverwa pamuti Kuti vese vaponeswe

Ndoimbira Mununuri Nedzo nyasha ndakaona


Zvino ndiri wake Jesu uyo wakandinunudza

Ndoimbira Mununuri Nero simba rake guru


Wakakunda kufa kwake Wakamutswa zve mukufa

Chorus
Ndino fara Kumukudza
Ndino fara kumukudza Ndino fara kumukudza

Uyo waka Ndinunura


Uyo waka ndinunura Uyo waka ndinunura

Pam'chinjiko wakafira
Pam'chinjiko wakafira Pam'chinjiko wakafira

Kuponesa vakasungwa
Kuponesa vakasungwa Kuponesa vakasungwa

HYMN 109
Imi mose muri pasi Imbai kuna Jehovah
Kurumbidzai mutende Uyai norufaro kwaari

Tinoziva kuti Jehovah Ndiye Mwari wechokwadi


Tiri boka rehwai dzake Anotipa kudya kwedu

Pindai suwo guru rake Muswedere kuna Mambo


Simudzai mazwi enyu Makafanira kudaro

Ndiye Mwari wakanaka Tsitsi dzake dzakakomba


Rudo nechokwadi chake Hachingatiupinde isu

HYMN 110
Satani wakambondiyedza akambonditora
Zvino handi mushandire asi Jesu Kristu
Zvino ndiye Tenzi wangu nekusingapere
Ndanga ndiri kufa ini zvino ndamupenyu

Kare ndanga ndakasungwa ndiye munyengedzi


Ndaka putsikira pasi mumataka ake
Haasakandibatsira wakazvifarira
Ndanga ndiri kufa ini zvino ndamupenyu

Ndakambonga ndakasungwa nezvitadzo kare


Ndakabatwa asi zvino ndazosununguka
Ndazoona ruponeso rwakanaka kwazvo
Ndanga ndiri kufa ini zvino ndamupenyu
HYMN 111
Zvikomborero kunemi Izvi chitsidzo chaMwari
Tichazopiwa masimba Tichazokura mumweya

Zvikomborero Zvitsvene Zvinochenesa mumwoyo


Zvinppfumisa varombo Zvinosimbisa varwere

Zvikomborero ZvaMwari Zvinotivisa mapenzi


Zvino tivisa vaziwi Zvinonakidza zvikuru

Chorus
Zvikomborero Zvikomborero zvizhinji (zvizhinji)
Zvikomborero tinazvo Zvikomborero zvaMwari

HYMN 112
Wakanaka uyo musi uyo Ndakasunungurwa
Rufaro rwangu rwakakura Zvino runondifadza

Chisungo chakanaka kwazvo Chinosunga Baba neni


Hakuna chiro pasi pano Chinofadza zvakadai

Yakazoripwa mhosva yangu Ndave vake naye wangu


NdiBaba wakandidaidza Ndikauya nekufara

Nyamusi ndinotaura kuti Ndasunungurwa naye


Nemwoyo wakabarwa patsva Mweya mutsvene ari neni

Chorus
Wakanaka uyo musi wandakasunungurwa naye
Wakanaka zviro kwazvo Baba wakandidaidza

HYMN 113
Zvangu zvese ndezva Jesu Mweya nemuviri zvese
Zvitondero nezviito nguva nemazuva ese
Ndezva Jesu ndezva Jesu nguva nemazuva ese
Ndezva Jesu ndezva Jesu nguva nemazuva ese

Nemaoko angu ese Ngaamushumire Tenzi


Nemakumbo angu aya Ngaamutizire Tenzi
Ndezva Jesu ndezva Jesu ngaamutizire iye
Ndezva Jesu ndezva Jesu ngaamutizire iye
Nemaziso angu ese Ngaaone muponesi
Nerurimi ngaruite Rukudziso rwake Jesu
Ndezva Jesu ndezva Jesu ngaazvikudze muponesi
Ndezva Jesu ndezva Jesu ngaazvikudze muponesi

HYMN 114
Ndiri munhu wenyu Jesu makandipa ruponeso
Ndakasiya kushaisha kumuteerera imi

Ndinogara nemi Jesu ndigwinyisei ndimi Jesu


Mune simba kuponesa mungaita mwoyo m'chena

Ndinotenda Mambo Jesu mazwi enyu ese ese


Ndinoenda kune denga musha wenyu Tenzi wangu

Chorus
Ndiri munhu wenyu Jesu makandipa simba renyu
Makandiitira nyasha Mambo wangu Tenzi Kristu

HYMN 115
Jesu muri rudo diko Makadzidza pasi pese
Mwari mune mwoyo m'chena Munodisa vanhu vese
Tinomukumbira Baba Mweya wakachena dzikai

Nekukungura isu Tanga tiri varasiki


Hamutsari wekudisa Asi munovada vese
Pindai mune mwoyo yedu Taizarurira imi

Takadiwa zvirokwazvo Muumambo hwenyuwo


Zvino tinomukumbira Bvisai zvese zvakaipa
Pindai garai umo nhasi Nekusingaperi peri

Zvino basa redu pano Ndere kuonesa rudo


Nharo shungu kuba nhema kuti tifanane nemi
Toda kuva vanhu venyu

HYMN 116
Kwese ndinoenda ndina Jesu Kristu
Ndino tungamirwa ndiye misi yese
Ndine runyararo kwese ndinoenda
Ndizvo ndinotenda iye nekumuda
Kwese ndinogara ndina Jesu Kristu
Ndinokomborerwa ndiye muupenyu
Kana nepakufa ndichatorwa ndiye
Jesu ndiye anogutsa mwoyo wangu

Kwese ndinofamba ndina Jesu Kristu


Ndiye anondibatsira nguva dzose
Ndinokunda ndiye matambudzo ese
Nguva dzese ndinoenda naiye ‘yo

Chorus
Nguva dzese kwese kwese ndinosimbiswa
Kwese ndina Jesu ndino farayo

HYMN 117
Rukuru ruponeso RwaTenzi wekudenga
Rwatendwa nezvikuru ruchibva pakudenga

Rukuru ruponeso Rwe avo vakaipa


Hakuna anorambwa Kana aipa sei

Rukuru ruponeso Rwabvisa zvakaipa


Nemhosva nekutadza nekufa pane moto

HYMN 118
Apo ndatambudzika Nezvakaipa zvangu
Nezvirunziro zvangu Ndinzwei Baba wangu

O Baba samasimba Ndipei simba renyu


Nekuti ndinoshaya Kugara zvakanaka

Parwendo rwehupenyu Nditongei nguva dzese


Mudenda rakaipa Ndichengeteyi Baba

Chorus
Ndicherechedzei Baba Ndicherechedzei Baba
Ndicherechedzei Baba Ndicherechedzei Baba we

HYMN 119
Pane nzvimbo yakanaka Padyo naBaba wedu
Mweya ine ruzororo Padyo naBaba wedu
Pane nzvimbo yemufaro Padyo naBaba wedu
Tina Jesu Kristu apo padyo naBaba wedu

Zvinyangadzo hazvigare Padyo naBaba wedu


Asi zviro zvakanaka Padyo naBaba wedu

Chorus
O Jesu mununuri makatumwa pasi pano
Muti swededze isu padyo naBaba wedu

HYMN 120
Ndine hama yakanaka Iyo ine simba guru
Inondida zviro kwazvo Inondipa simba rayo

Ndina Baba wakanaka Anondida nguva dzese


Anondipa zviro zvese Izvo zvakandinakira

Ndina muponesi wangu Anogara kune denga


Anondiunzira zvese Zvakanyanya zveupenyu

Chorus
Ndine hama yakanaka (ndine hama yakanaka)
Ine simba kuchenesa (ine simba kuchenesa)
Ine simba kuponesa (ine samba kuponesa)
Ndinofara kuwanayo (ndinofara kuwanayo)

HYMN 121
Jesu ari kudaidza mwoyo yese inorwara
Misi yose tinomunzwa wati mwana nditevere

Jesu ari kudaidza vakomana nemhandara


Kuti wamudise Jesu wati hama nditevere

Jesu ari kudaidza vadzimai nechembere


Kuti wamudise Jesu wati mai nditevere

Jesu ari kudaidza vadzibaba neharahwa


Kuti wamudise Jesu wati baba nditevere
HYMN 122
Baba wangu ndinodisa Kuva wakadai ndimi
Ndinodisa mweya wenyu Kuti uchizara neni

Baba ndinodisa kwazvo Rutendeso rwakanaka


Kuti ndinotenda imi Nguva dzangu dzese dzese

Baba ndinodisa kwazvo Rutendeso rwakapiwa


Kuwonesa kune vamwe Kuti tinodana sei

Chorus
Munoziva nungo dzangu Munoziva zvirokwazvo
Ndiri kukumbira zviro Munondipindurawo

HYMN 123
Mwari wangu ndipfuweyi Kuti ndibve mukuipa
Ndipei zano rakanaka Rekuita munhu kwaye

Kuti ndoda kupumhuka Kubva nzira yenyu Baba


Nyasha dzenyu ngadziuye Ndipingirwe padyo nemi

Apo ndine dambudziko Kana rufu ruchiuya


Ndipeiwo rudo rwenyu Runodzinga kutya kwese

Chorus
Ndisimbise zviro kwazvoNdichigere pasi pano
Ndipei mwoyo wakanaka Ndozosvika kumusoro

HYMN 124
Jesu wanditungamira Ndan ga ndiri mune rima
Ndakaiswa mukupenya Neshamwari dzakanaka
Ndikadzidza kuteura KunaBaba naM'ponesi
Akandipa mwoyo mutsva Nenduramo yakanaka

Jesu wanditungamira Nguva dzese dzeupenyu


Ndozopiwa zvakanaka Kusarura zvakanaka
Nekuita mwoyo chena Kuna vano vanotambudzika
Zvino ndinotenda kuti Jesu wanditungamira

Jesu wanditungamira Nekufadza mwoyo wangu


Tsitsi dzake dzakanaka Zvipo zvake zvakanaka
Ndikaneta nekufamba Kana mweya une nyota
Inobuda pane nzira Tsime yerufaro iyo
HYMN 125
Runyararo nyika yechitema
Ropa raJesu rinotiponesa

Runyararo neurombo kwese


Rudo raJesu izororo redu

Runyararo kuva diwa vese


Diti raJesu kune runyararo

Runyararo hatizivi mberi


Kunaye Jesu angatiponesa

Runyararo rufu rwuri kwese


Jesu mambo akarukunda

HYMN 126
Fambaiwo majoni A Mwari wedu imi
Musatye mhandu dzenyu Hadzina simba kwete
Tinozo kunda kwazvo Panyika kwese kwese
Masimba ake Jesu Haachazokundwiba

Fambaiwo vatendi VaMwari wedu imi


Hamuna simba mega Musazvikudze zvenyu
Mupfeke nhumbi dzese dzaMwari wakanaka
Muende kune basa Muite vanhu imi

Fambaiwo vatsvene Munyika dzese dzese


Mushumairi izwi raJesu Tenzi wedu
Mukundi uchapiwa Chiremba chehupenyu
Anozo wana Jesu Atonge naye iyo

HYMN 127
Ngatiende vadikani Kune munda wake Tenzi
Unodiwa vekurima Ndisamunda wadaidza

Jesu wati kuna Pita Chitevera shure kwangu


Jesu Tenzi watiudza Endai kune pasi pese

Zvino rava jana redu Rekutora iri shoko


Kuna ivo vari kure Vasingamuzive Tenzi
Chorus
Kasikai kuendayo Kune zunde rake Mambo
Endaiyo endaiyo Kune zunde rake Mambo

HYMN 128
Ndakabarwa mune dima Rekusaiziva Mwari
Ndikaita muitiro Yakashata zviro kwazvo
Asi kwakauya mumwe Nemashoko akanaka
Kuti Jesu wakafira Kuponesa vanyangadzi

Ndinochema Tenzi wangu Nezvitema zvandaita


Kukuwadza mwoyo wangu Mune mweya weupenyu
Asi ndakatendeuka Ndika bvuma zvakaipa
Ndikasiya zvinyangadzo Ndikateerera Jesu

Chorus
Zvino mwoyo unofara Ndaponeswa misi yese
Nzira dzangu dzondoita Dzinofadza Tenzi wangu

HYMN 129
Uyai mose mune nyota Mumwoyo menyu mururame
Baba anopa mvura yake Kupedza mose nyota yenyu

Vazvarwa tiri kukumbira Uyai tose titeure


Tipiwe mvura inogara Inobva kuna Tenzi wedu

Jehova vedu mururami Hapana umwe akadaro


Ngatimukudze timutende Nekuti takasikwa naye

HYMN 130
Ndofamba kune mumwe musha Kudenga iro
Kumusha kwam'ponesi wedu Kum'soro kuna Baba

Ndaneta nekutadza hama Ndinoda Mwari


Nomwoyo wangu unosuwa Nenzvimbo yangu iyo

Ndi Jesu wakaenda kare KwaBaba vake


Kondivakira imba yangu Yakanakisa kwazvo

Handityi rufu rwangu hama Ndinozo muka


Ndinozo wona Mambo wangu Ndiye mukuru iye
Chorus
Ngatiende hama dzangu Kune musha uyo
Tofara naM'ponesi wedu Tive vatsvene tose

HYMN 131
Ungasununguke pakuipa Simba muropa wosimbiswa
Unoda kukunda chakaipa Ropa rinokusimbisa

Ungasununguke pane hasha Simba muropa wosimbiswa


Chiuya ushambidzwe muropa Ropa rinokusimbisa

Ungacheneswe cheneswe kwazvo Simba muropa wosimbiswa


Maropa orasa manyangadzo Ropa rinokusimbisa

Chorus
Nesimbazve Rinoshamisa muropa (muropa) reGwayana (reGwayana)
Nesimbazve Rinoshamisa muropa reGwayana

HYMN 132
Mwari wakaudza izvo unokusa
Ndizvo unocheka ndizvo unopiwa
Ndizvo tisaite zviro tisingafunge
Zvatichazvicheka izvo tinoita

Izvo unowana unokusa mbeu


Kuti zvakanaka ndizvo unocheka
Izvo zveunonzwa unokusha mbeu
Kuti zvakashata ndizvo unocheka

Izvo unowana unokusa mbeu


Kuti zvakanaka ndizvo unocheka
Izvo unoita unokusa mbeu
Kuti zvakashata ndizvo unocheka

Izvo unowana ndizvo unocheka


Izvo unokusa ndizvo unocheka
Ndizvo ngatikuse mbeu dzakanaka
Kuti tizogara mumba dzekudenga

Chorus
Izvo unokusa ndizvo unocheka
(Izvo unokusa ndizvo unocheka)
Ndizvo ngatikuse Mbeu dzakanaka
(Kuti tizogara mumba dzekudenga)

HYMN 133
Ukama hweuKristu Chisungo chakanaka
Nekuti tinodana kwazvo Takasungwa pamwe

Pamwepo toteura Pamwepo tinochema


Pamwepo tinobatsirana Tichafarisana

Tosuwa zvikuru Nekupandana kwedu


Nenyasha tichazowonana Nemumwewo musi

HYMN 134
Mweya wangu una Muponesi Ndakasunungurwa
Musununguri ngandinangiswe Ndichagamuchira isu

Nengoni ndichagam'chira tsitsi Rudo rwake Kristu


Waukunda mwoyo wangu kwazvo Ndichavimba newe

Unoziva kusasimba kwangu Ndotya kurasika


Asi iwe uri simba rangu Unondipa simba

Kwakauya vamwe vachibvunza Tingapone here


Hongu ndinoda Muponesi we Nesu tinodawo

Chorus
Ndoda(Ndoda)Ndoda(Ndoda)
Ndoda wangu muyamuri uri wangu
Ndakatengwa neropa raIshe
Ndava wake chose

HYMN 135
Nditungamire Jehova Ndiri mufambi Ishe
Une simba ini handina Ndashaya simba ini
O M'ponesi O M'ponesi Ndiwe inhowo yangu(yangu)

Iri tsime roruponeso Razarurirwa ini


Ngariyerere ndipone Rishambe zvakaipa
O M'ponesi O M'ponesi Iwe ndosimba newe(newe)

Kuti ndasvika Jordani Chibvisa kutya kwangu


Ndiperekedze ndouya Chindichengeta ini
O M'ponesi O M'ponesi Iwe ndosimba newe(newe)

Ndiwe inhowo yangu

HYMN 136
Nhasi ndinofara ini Nairo ropa rangu
Vashamwari munodini Ngatifare neniwo
Ishe ndinokurumbidza Iwe wandidzidzisa
Ndigogona kuakunda ose Magwaro angu

Kana ndiri muchikoro Zvakanaka kwandiri


Kana ndapinda musvondo Ndinofara zvikuru
Ishe ndinokurumbidza Iwe wandidzidzisa
Ndigogona kuakunda ose Magwaro angu

Kune ino nyika yedu Magwaro hatizivi


Vavagere vadzibaba Rufaro vasina rwo
Ishe ndinokurumbidza Iwe wandidzidzisa
Ndigogona kuakunda ose Magwaro angu

HYMN 137
Ngatibereke mapudzi Ayo O Mweya Mutsvene
Wounhu nokururama nduramo Nemwoyo chena
Izvo zvose zvo rutendo Nezvo rudo norufaro

Izvo zvinhu ngazvikure Mumwoyo nenguva dzose


Zvindiyamure ndidzure kose Uku kumanikwa
Kousvinu nokwe tsino Nokwe zvinhu zvinobvako

Hongu Ishe nganditongwe Ndiwevo unobereka


Ndivavarire kuwana zvosezvo Zvakarurama
Zvigorega kuzorambwa Hwose unhu nadzo tsika

HYMN 138
Pakudenga kuna Baba Kwakanaka kwazvo
Pakudenga kuna Baba Kwakafara kwazvo
Hakupindi chakaipa Kana chiri chimwe
Hakupinde zvokurwara Nechirwere chimwe

Vakawona musha wavo Musha wakagara


Vakawona noupenyu Usingapfuure
Ndiri mweni pane nyika Ndinosuwa denga
Ngandipinde newe Jesu Ndiende kudenga

HYMN 139
Mumwe ariko pam'soro Anotida
Rudo rwake rwakakomba Anotida
Hama dzedu dzinotiza Dzimwe dzino titambudza
Haana kutinyengerera Anotida

Kumuziva ndoupenyu Anotida


Wakatipa zvinhu zose Anotida
Tanga tiri kure naye Wakatitenga neropa
Wakatiisa padenga Anotida

Jesu ndiShamwari wedu Anotida


Anoda kuti fadzisa Anotida
Mwoyo yedu inomuda Yoda kushevedzwa naye
Zviro kwazvo nechokwadi Anotida

HYMN 140
Zuva riri kudoka pasi rinozirora
Namata nekutenda usiku hunouya tinorara

Tenzi weupenyuwo wezvese pasi pano


Mutiwunganidze'su mumawoko'wo enyu muri pedyo

Apo dima rasvika werudo tichengete


Mwoyo yedu ikwire pamberi penyenyedzi apo muri

Kuti apo nguva'yo inopera pasi'po


Tenzi mutibvumire tichapinda kumusha wekudenga

Chorus
Yera Yera Tenzi Mwari
Denga rese nepasi zvese Zvazara nemi Tenzi Mwari

HYMN 141
Ivai nenguva Yekuponeswa
Taurai naTenzi munozogutswa
Ne izwiro rake Uzadze mwoyo
Tsvaka kuna iye chikomborero
Ivai nenguva yekuponeswa
Ivai nenguva naJesu ega
Nekumunangisa kufanana'ye
Vese vachawona Jesu kunewe

Ivai nenguva yekuponeswa


Musaende mberi asi teverai
Jesu muponesi atungamira
Ndizvo muBhaibheri muno simbisa

Ivai nenguva yekuponeswa


Zvese zvezvifungo zvamunoita
Zvinotungamirwa ndiJesu Kristu
Zvemunogadzirwa umambo wedu

HYMN 142
Honai musha Kure uko!
Vose vvanofara Varikoko
Rudo rukuru Nomufaro uriko
Hakune nhamo Kure uko

Pindai mose Chimbidzai


Nameso ose Tarisisai
Teverai nzira Iyo inokwira'ko
Uko kudenga Tsungirirai

Vari kum'soro Vofadzwa ko


PanaIshe Jesu Vonatswa'po
Vakatambura Pano pasi vachirwa
Vachaigirwa Pfuma uko!

HYMN 143
Kuita basa rake pano Kusi kuda kwedu
Kumufunga misi yese Kunotibatsira

Kufamba mune nzira iyo Jesu akafamba


Kuda zviro zvese zvake Kunotibatsira

Kuita rudo kune vese Kunga iye Jesu


Kunzwa inzwi rake dzvene Kunotibatsira
HYMN 144
Mweya Mutsvene waMwari gara muno mumba
Buruka zvino nesimba Uya Mweya uya

Uya Mweya kufanana Kupenya kwezuva


Vhenekera mwoyo yedu Wonesa kuipa

Mweya Mutsvene waMwari tarasika isu


Buruka zvino nesimba Uya Mweya uya

HYMN 145
Baba tinouya munotibatsira
Kumwezve hakuna tingaende
Pasi pane dima imi musipo'ba
Munotinyaradza tichengete

Munotiponesa kune zvakaipa


Mumwoyo mutipe kuzorora
Hatina masimba mutipe kushinga
Ruoko rwesimba tinobata

Mutipewo mutsa wenyu tinoziva


Kuti tinozova muchitema
Mutitungamire dakara tisvike
Kumusha mutsvene tinogara

Chorus
Baba tinouya Tinoshaya
Munotibatsira Munotinzwa

HYMN 146
Watakura kuipa Jesu kusi Kuipa kwako
Ukaripa mhosva Jesu Isi mhosva yako

Waive munhu ine ngoni Usatadze iwe


Raparara ropa rako Wakanaka

Kusatenda kedu kwese Kwakanyorwa


Nezvitadzo zvedu zvese Zvakanyorwa newe
HYMN 147
Mwari watichengeta Pairi vhiki rese
Nhasi tiri Kutsvaka chikomborero chake
Svondo rakanaka kupinda Rimwe zuva
Svondo rakanaka kupinda Rimwe zuva

Tiri kutsvaka mutsa Nezita rake Jesu


Towuya kubatsirwa Bvisa zvitema zvedu
Tinonamata nhasi Zuva rake Tenzi
Tinonamata nhasi Zuva rake Tenzi

Ndizvo masvondo ose Angadaro kunesu


Tichabatsirwa nawo Kunaka muhupenyu
Dakara tichatorwa Kuna Jesu kudenga
Dakara tichatorwa Kuna Jesu kudenga

HYMN 148
Ndouya kum'chinjiko Ubofu neurombo
Handidi chimwe chiro Asi ruponeso'ro

Jesu ndokuchemera Mwoyo wangu waipa


Jesu'ye wataura Ndinozo kuchenura

Ndapa zvese kunemi Zviro zvese zvepasi


Mwoyo zve nemuviri Uve wenyu narini

Jesu uri kuuya Mwoyo wangu wazara


Zvino ndachenurwa Mbiri kuna Jehova

Chorus
Ndosimbira kunemi Nyenye yepa Kalvari
Ndinopfugama pasi Mundiponese ini

HYMN 149
Apo runyararo runondifadza
Kana urombo ndinahwo
Kana muzvese makandidzidzisa
Kunaka nemwoyo Wangu'wo

Kana Satani anditambudza


Ndichasimbira kunemi
Jesu unoziva kwangu kushaya
Wakandifira'po pamuti
Ndinofara nekutondera kuti
Zvitema zvangu zvesezvo
Zvapera pamuchinjiko zvapera
Ndatenda nemwoyo Jesu'yo

Kurumudzai musi wenyu Tenzi


Makore achazopetwa
Tsuri inorira Tenzi adzika
Zvadaro nemwoyo kwakanaka

Chorus
Kwakanaka Nemwoyo
(kwakanaka) (Nemwoyo)
Kwakanaka nemwoyo wangu'wo

HYMN 150
Kana ndawona m'chinjikwa Pawakafira Kristu Ishe
Handina chinhu chakanaka Ndazvishora'wo nako kose

Ndirambidze kuzvikudza Kunze kwekufa kwaIshe


Zvinhu zvinondiyevedza Ndinozvipira muropa

Tarrisai uso hwake Zvanza zvake nedzo tsoka


Rudo runodaro rwaIshe Runotitambudzikira

HYMN 151
Sezvo ndakadai Jesu Ndisine chinhu pachangu
Wakafira m'toro wangu Gwayana raShe ndouya

Sezvo ndakadai Jesu Ndisingambo zviponesa


Iwe wega ndishambidze Gwayana raShe ndouya

Sezvo ndakadai Jesu Handizive nzira yangu


Ndino rwara m'mwoyo wangu Gwayana raShe ndouya

Sezvo ndakadai Ishe Ndiri bofu ndiri rombe


Sezvo ndinoshaya zvose Gwayana raIshe ndouya

HYMN 152
Iri gomo riri kure Kunze kwe'yo musha
Paakarovera Ishe paakatifira

Hatingazive kurwadza Wakatambudzika


Nom'towo wedu totenda Jesu wakatifira

Wakafa kuti tizoregererwa ticheniswe


Kuti tiende kudenga Tiponeswe naye

HYMN 153
Pedyo nemi Mwari pedyo nemi
Kana nedambudzo riri neni
Ndichiri kuimba pedyo nemi Mwari
Pedyo nemi Mwari pedyo nemi

Ndafanana m'fambi wadokerwa


Dima randibata ndirimunzira
Makorokoto'ni ndiri prdyo nemi
Pedyo nemi Mwari pedyo nemi

Zvepamwe naJesu ndingakwira


Pamberi pezuva kune denga
Pakuimba ndiri pedyo nemi Mwari
Pedyo nemi Mwari pedyo nemi

HYMN 154
Jesu ndinokuda uri wangu'wo
Ndinosiya zvose zvakaipa zvo
Mununuri wangu muponesi'wo

Ndinomuda nekuti makandida


Pamuchinjikwa makandiponesa
Pam'sana pamgu matambudzikapo

Kana muhupenyu kana murufu


Ndichiti apo ndakabatwa nerufu
Ndichakuda imi mundiponesa

Kumusha kwembiri kuno farisa


Ndichakudza imi iko kudenga
Kudenga ndichaimba irwo rumbo

Chorus
Kuti ndakakuda Asi nazvino
HYMN 155
Ngatiimbe pamwe tose Kudza zita'ro raTenzi
Mbiri yamambo'yo Mwari Kudza zita'ro raTenzi

Jesu zita remasimba Kudza zita'ro raTenzi


Rine simba kuponesa Kudza zita'ro raTenzi

Ngatibvume zvinyangadzo Kudza zita'ro raTenzi


Tachenurwa neropa'ro Kudza zita'ro raTenzi

Chorus
Mese kudzai zita raTenzi Kudza zita'ro raTenzi
Mese kudzai zita raTenzi Kudza zita'ro raTenzi

HYMN 156
Jesu ndowangu ndofara sei
Zvandiri wake ndichatsvakei
Neropa ndakasukwa naye
Ndapiwa nhaka naMwari Ishe

Ndinozorora norugare
Ndinochitenda kuda kwaIshe
Nyasha norudo unondipa
Ndinochifara nowandida

Ndakachengetwa ndinomuda
Chandinoshaiwa hapachina
Meso anongotarira Ishe
Ndapiwa nyasha huru naye

Chorus
Ndicharumbidza Ishe wangu sei
Nenziyo dzangu ndimukudzei
Ndicharumbidza Ishe wangu sei
Nenziyo dzangu ndimukudzei

HYMN 157
Mwari Ishe zvandinofungidzira
Panyika dzose dzamakasika
Ndonzwa dutu ndinowana nyeredzi
Simba renyu raratidzwa kwose

Zvandofamba mudondo ramapani


Ndonzwa shiri dzoimba mumiti
Ndichiona kubva pagomo refu
Ndonzwa mvura nokutonhorera

Zvandofunga zvatakapiwa naye


Nokufa kwake ndinozadziswa
Pam'chinjikwa wanzwa Kurema kwangu
Neropa wafira zvivi zvangu

Kristu achidzokera nokukunda


Wanditora ndichafadziswa seyi
Ndichakudza nokukotama hangu
Ndoparidza Ishe uri m'kuru

Chorus
Ndichaimba M'ponesi Ishe wangu
Uri m'kuru Uri m'kuru
Ndichaimba M'ponesi Ishe wangu
Uri m'kuru Uri m'kuru

HYMN 158
Baba ndiri mwana wenyu Kana ndakatadza
Ndinochema mberi kwenyu Baba ndiregere

Zvitadzo zvangu zvizhinji Hazvingaverengwe


Ndino zviisa kwamuri Baba ndiregere

Mirau yako ndatyora Iwe ndakuzvidza


Mununuri ndamurasa Baba ndiregere

Ndakatadza nokureva Ndatadza kufunga


Ndakatadza nemabasa Baba ndiregere

Muri Mwari mune ngoni Dzisina kupera


Naizvozvo ndinochema Baba ndiregere

HYMN 159
Ndawana shamwari Jesu wangu
Rudo runogara ari wangu
Rufaro rwenyika Ruchazopfuura
Ndinorunyararo ari wangu

Kana ndapererwa Jesu wangu


Anozondibata ari wangu
Anondichengeta Nesimba neropa
Hapana kusuwa ari wangu

Nyika yapfuura Jesu wangu


Pakutonga kwake ari wangu
Chinhu choshamisa Kana ndotarisa
Iye pakudenga ari wangu

Ndasiya zvenyika Jesu wangu


Ndinoda zvedenga ari wangu
Ari mununuri Ari muchengeti
Ari muponesi Ari wangu

HYMN 160
Hozana kuna Mwari ndoimba nezwi rangu
KuMwana waDavidi wakauya kwandiri
Jehova ndiyamure pakurema kwangu
Wauya asadanwa muponesi wangu

Ndoshonge dzakadini azondishanyirawo


Mugadzirire iwe neMwoyo wako wose
Ndoupira kwamuri mununuri wangu
Upfugame kwauri chokwadi Ishe wangu

Ndasunungurwa newe mutorongo rangu


Rikadimurwa newe iroro joti rangu
Rakandirasikisa ndasiya upenyu
Wakandifarisa zve pakuchema kwangu

HYMN 161
Kuna Jesu ndozvipira Zvose ndinomupira
Ndichavimba nokumuda Ndichazogara naye

Kuna Jesu ndozvipira Ishe pamberi penyu


Zvinhu zvenyika ndosiya Ndigamuchirei Jesu

Kuna Jesu ndozvipira Ndiitei ndive wenyu


Ndibatei mweya Mutsvene Ndinzwe muri wangu

Kuna Jesu ndozvipira Ishe ndine kuzvipira


Ndizadze nesimba renyu Ndiropafadze imi

Chorus
Ndopira zvose Ndopira zvose
Zvose kwamuri M'ponesi Ndopira zvose

HYMN 162
Ndosangana sei naJesu Ndichandomuyigirei
Hati ndakamubatira Zuva rimwe ndoitei

Handichatyi rufu hangu Zvandarwirwawo naye


Bva ndonyara zvandisina chandingamuyigira Ishe

Dai makore okuchinya Ndaiadzoserwa zve


Ndaiapa Jesu wangu Ndaiteerera iye

So mutendi usazeza Muka chibatira Ishe


Shingairira varasiki Rwisa kuvadzosazve

Chorus
Ndosangana sei naJesu Ndichando muvigirei
Zvandisina mumwe oga Kundoisa kuna Ishe

HYMN 163
Panguva yokuteura Ndinonyaradzwa naBaba
Ndouya nokukumbira Nokushaya kuna Baba
Panguva yokutambudzwa Mweya wangu wanyaradzwa
Ndinokunda mukuyedzwa Panguva yokuteura

Panguva yokuteura Inguva yokukumbira


Kwaari anovimbika NdiMwari wokuyamura
Iye anondidaidza Kumutsvaka nokuvimba
Ndomuudza kutambudzwa Panguva yokuteura

Panguva yokuteura Ngandiwane ruyamuro


Ndichingogara panyika Misi yose ndoteura
Kana ndichisiya nyika Kuti ndiende kudenga
Ndichatenda ndichakudza Nguva'yo yokuteura

HYMN 164
Tenzi unonditsvagira nzira yangu
Tenzi unonditsvagira nzira yangu
Ndikafamba muchiedza kuita zvakanaka
Tenzi unonditsvakira nzira

Tenzi wati paridza shoko munyika


Tenzi wait paridza shoko munyika
Ndikafamba muchiedza kuita zvakanaka
Tenzi unonditsvakira nzira

Hazvifadzi kunzwa zvakanaka here


Hazvifadzi kunzwa zvakanaka here
Ndikafamba muchiedza kuita zvakanaka
Hazvifadzi kunzwa zvakanaka here

HYMN 165
Wakatora chipapata Ukachimedura
Ukati torai mudye Zvomuviri wangu

Jesu watora mukombe watingatitende


Ndochitenderano chitsva pane ropa rangu

Tinotora chipapata Totarira iwe


Tinotora tidye tose Tichisuwa iwe

Tinotora mukombe Tichivimba newe


Tinonwa kwauri tose Tichifunga iwe

HYMN 166
Tsitsi dzinondishamisa dzakandiponesa
Ndakange ndisingawone zvino ndaoneswa

Tsitsi dzinondishamisa dzakandishingisa


Netsitsi dzake ndasukwa zvino ndaponeswa

Mudambudzo repanyika ndine mubatsiri


Ndichazofamba kuenda kum'soro kudenga

Tenzi makanditsidzira rufaro kudenga


Jehova ndiye m'chengeti mu'penyu hwepasi

HYMN 167
Ndakakufira kare ndakuripiravo
Ugozosunungurwa upihwe hupenyu
Ndakakufira iwe wakandiitirei?

Ndakakutamburira makore panhovo


Ugozondofadziwa kudenga ikoko
Ndatamburira iwe wakandipei

Ndasiya Baba vangu mufaro naiwo


Kuvuya panenhamo hurombo ,rufuwo
Ndakakusiyira zvose wakandisiyirei?

Bva ndakakuvigira ndichibva ikoko


Chengeto yakazara norudo rwangu wo
Ndakakuigira zvose wakandiigirei?

Umupe mwoyo wose hupenyu hwose zve


Zvisungo zvidambure upihwe rugare
Dorasa zvako zvose uchingotenda Ishe

HYMN 168
Teererai manzwi awa
Anoimba ikoko
Ko haazi avatumwa
Vanogara ikweyo
Vanhu nhasi maponerwa
Muchengeti chifarai
Chiimbaiwo "Hareruya"
Kristu Jesu chikudzai

Ndokubwinya kwaIshe wedu


Wekudenga denga'ko
Vanhu vave nomufaro
Rugare panyika wo
Zuva rino taponerwa
Muchengeti Kristu Ishe
Ngatiimbe Hareruya
Tigokudza Jesu zve

HYMN 169
Ndiani kudanga'ko
Unogwadamirwa po?

Ndiani musangomo
Wozvinyima kudya po?
Ndiani wochema wo
Pakavigwa Razaro

Ndiani kumunda'ko
Unonyengetera'po

Napamuchinjiko wo
Ndiani wofira'po?

Ndiani womukazve
Unotipa rugare?

Ndiani kudenga'ko
Unobata huShe'po?

Chorus
Ndiye Ishe wesimbarose
Ndiye Ishe wevanhu vose
Ngatimugwadamirei
Ishe wevaShe tikudzei

HYMN 170
Pindai pindai mutambo uripo
Munodaniwa kuzopindawo

Rakazaruka suvo irero


Ndorudo rwaIshe nhamo ichipo

Kudenga kwose kwomumirirai


Inzwai vatumwa vomudanai

Nzwi ravo rinonzwika teererai


Musanonoka zvino chipindai

Chorus
Pindai,pindai,hugaro huchimo
Roda kuvira zvino pindai
Kwoda kusviba chimbidzikai
Yoda kuzara imba iyeyo
Pindai,pindai,chikomba chavapo

HYMN 171
Mwari komborerai Africa ngaisimudzirwe zita rayo
Inzwai miteuro yedu Mwari komborera
Isu mhuri yayo (dzokorera)

Chorus
Huya Mweya Huya Mweya
(Huya Mweya Komborera) (Huya Mweya Komborera)
Uya Mweya mweya Mutsvene kuti
Komborera isu mhuri yayo

HYMN 172
Paradzira soko kune munhu wese
Kana kune avo vakasungwa mwoyo
Ndimi dzewatendi ngadzidaidzire
Munyaradzi …..awuya

Usiku hwapera zuwa rinobuda


Ronyaradza mhere nokutya kwese
Muma komo ese zuwa rakasvika
Munyaradzi …..awuya

Mambo wewa Mambo murapi mukuru


Ipa rusununguko wabatwa wese
Nemumatirongo rwiyo ngarunzwike
Munyaradzi …..awuya

Rudo runoyera handingakwanisi


Kuti nditaure tsitsi dzinoyera
Ini munyaradzi ndiwe nekupenya
Munyaradzi …..awuya

Rega mawungira akwire mudenga


Watsvene wedenga wachipindurawo
Mukuimba rudo rwake rusingafi
Munyaradzi …..awuya

HYMN 173
Pachinjikano yaShe Pandinofunga rufu rwake
Ndorasha pfuma yose'po Ndozvidza zvose zvangu

Ndirege kuzvikudza Ndikudze chinjikano yega


Zvakambosingofadze'ni Ndorasha ndichitendemi

Mavanga dowonai Vurombo hwake chifundai


Musoro,chiso,tarirai Makambowona zvakadaro

Ishe deno ndaimupa Vufumi hwose hwepanyika


Chidoko chiko chakadai Vupenyu hose ndomupai

HYMN 175
Musatsvaka zviripasi
Zvinosvava hazvifadzi
Rudo rokusingarehwi
Chitsvakai, Chitsvakai

Musatsvaka zvepanyika
Nokushuva vo pasina
Bva zomwoyo zvinokosha
Chitsvakai,Chitsvakai

Chitsvaka o komborera
Mugovaraidzwa mwoyo
Mungapiwa kanganwiro
Chitsvakai,Chitsvakai

Chitsvakai ushanangurwa
Novunyoro unofadza
Uye kuzvikumukidza
Chitsvakai,Chitsvakai

Chitsvakai zvoushe hwake


Paridzai wo shoko rake
Nokufudza boka rake
Chitsvakai,Chitsvakai

HYMN 176
Chinjikano ndirero
Tsime reupenyu
Rinopodza vose She
Wanouya kwenyu

Chinjikano ipapo
Ndanga ndichihuta
Bva nehasha ndipapo
Pandakazofara

Maratidza ipapo
Tsitsi dzenyu huru
Zvino mundibatsire
Kuifunga kwazvo

Ndorambira ipapo
Ndichitenda kwoga
Pamwe handizivi'po
Asi apo poga

Chorus
Ipapo ipapo
Jesu ndichakudza
Kusvikira ikweyo
Ndichimurumbidza

HYMN 177
Tenzi taungana muno mumba yenyu
Uyaiwo zvo tapinda Tenzi mberi kwenyu

Iyo mwoyo yedu inomuchemera neyi


Mweya yedu Tenzi inomutarira

Baba ngatizive kuti muri pano


Ngatirinzwe izwi renyu razarurwa ndimwi

Tagadzirirenyi isu vanhu venyu


Kuti kana tafa mutipinze musha wenyu

HYMN 178
Ndofamba ndofamba, ndosuva kudenga
Kunyika yaTenzi isina nenhamo

Fambayi vatendi kunyika kureyo


Inoda vasimbi kusvika'yo nyika

Upfumi huriyo hakuna murombo


Hakuna neumwe neumwe hakuna

Madzinza ariyo kunyika yaTenzi


Havachazochemi Havana rusuvo

Vatsvena variyo vafara zvikuru


Vaona'yo Nyenye mufiri wevese
HYMN 179
Kuchave makomborero
Chivimbiso cherudo
Kuchavewo mavandudzo
Anobva kuna Jesu

Kuchave makomborero
Tinozomutsururwa
Mumipata namakomo
Sokunaya kwemvura

Kuchave makomborero
Auye kwatiri Ishe
Utipewo ruvanduko
Chipiko chizadziswe

Kuchave makomborero
Kwatiri ngaauye
Tichiva norupinduko
Tichinamata Ishe

Chorus
M……komborero
Tinoadisa Tenzi
Tsitsi shoma dzotiwira
Asi tinoda zhinji

HYMN 180
Kana Tenzi anoridza tsuri yokuguma'yo
Apo nguva yepasi yaperawo
Kana vakanaka vose
Vanounganidzwa'po
Mazita anodaidzwa ndiri'ko

Pamusi wokumuka vakafa munaKristu


Vanoona mbiri huru yake'yo
Apo vasarudzwi vanosangana kumusha'ko
Mazita anodaidzwa ndiri'ko

Ngatibate basa rake kuti rizopera


Ngatishumaire rudo rwaMwari
Ndizvo Jesu anouya kutora vanhu vake
Mazita anodaidzwa ndiri'ko
Chorus
Mazita anodaidzwa
Mazita anodaidzwa
Mazita anodaidzwa
Anodaidzwa kudenga ndiriko

HYMN 181
Nguva yakanakisisa
Yokukurumbidza
Kana tadzoredzaniswa
Pam'soro kudenga
Ndizvozvo tichinzwa mazwi
Echisimbiso
Chokuti kana tikafa pane ino nyika

Kunakisa korugare
Rwakasunga mwoyo
Isu kana taungana
Pazita raKristu
Mwanakomana waBaba
Wakakomborerwa chifungidziro
Chekuti tichasanganiswa

Hongu nokukurumbidza
Kukunda madzudzo
Tsoka dzedu dzakanaka
Dzichiyambukira
Zambuko rinendarama
Pavakagarira
Ava vanotida isu
Kuripo rufaro

Kana takatsaukaniswa
Kukange kwasvika
Nemazuva mashomana
Makore mashoma
Tichave naye m'ponesi
Pane idzo nzvimbo
Dzatinoreverwa kunzi
Tichasanganiswa

Chorus
Tinosangana kudenga
Neropa raJesu
Nokutenda kuna Jesu
Tichasanganiswa

HYMN 182
Dzongera mangwanani mbeu dzakanaka
Dzongera masikati nemadekwana
Tikagarira kuibva kwembesana
Tichafara kwazvo kana tokohwa

Dyara mumimvuri dyara napazuva


Usatye makore nokutonhora
Dzapfuura nguva apera mabasa
Tichafara kwazvo kana tokohwa

Enda zvako zvinomudzongerera Ishe


Nyangwe nekunetswa nokutambudzwa
Kwapera kushanda achitichingura
Tichafara kwazvo kana tokohwa

Chorus
Kana tokohwa ,kana tokohwa
Tichafara kwazvo
Kana tokohwa

HYMN 183
Pane riya gomo, pamire m'chinjikwa
Wokurwadza nokunyaradza
Ndipo pam'chinjikwa pakafira Jesu
Kuti inni ndirarame

Uyu muchinjikwa ,wakatsvuka ropa


Waita chishamiso
Ndipo pam'chinjikwa pakafira Jesu
Kuti ini ndirarame

Vose vanotenda ,ngavanzwe raramo


Yakanyorwa muBhaibheri
Kuti vagoziva Jesu pam'chinjikwa
Kuti wafira zvivi

HYMN 184
Ishe wedenga ave nemiwo
Amuperekedze kwose
Agomuchengeta pose
Ave nemi tionanezve

Ishe wedenga ave nemiwo


Muchengetwe zvakanaka
Muchiswera ,muchivata
Ave nemi ,tionanezve

Ishe wedenga ave nemiwo


Amutaririre kwose
Uyewo munhamu dzose
Ave nemi ,tionanezve

Ishe wedenga ave nemiwo


Amumbunde mumaoko
Amukundise norufu
Ave nemi ,tionanezve

Chorus
Tionanezve ,Tionane
Tionane achida
Tionanezve Tionane
Ave nemi tionanezve

HYMN 185
Nguva yenhamo tinoshamiswa
Zvinoitirwa nguva dzose
Zvakuna vamwe vakatipota
Havabvunzwi kana vatadza

Kana rufu kwatora vadiwa


Tosara tine shungu kwazvo
Tinoshama vamwe vachifara
Nokugara muzvivi zvavo

Tenda kusvikira parufu


Kwasara nguva shomanana
Nhamo ichazo kanganwika'ko
Pazuva ratichaona Ishe

Kana taona Kesu wouya


Wobva kudenga nokupenya
Tichasangana naye zuva'ro
Tichanzwa zvose gare gare
Chorus
Tichazviziva zvose pamberi
Tichanzwisisa gare gare
Farai shamwari ukudze Mwari
Tichanzwisiusa zuva iro

HYMN 186
Tsitsi hedzi dzamira dzega
Nezvirwadzo zvakamira zvega
Nengoni dzamira dzega
Pamuchinjikwa

Ishe waburuka kudenga


Akazova munhu kuvanhu
Akava diramhamba redu
Pamuchinjikwa

Rutendo rwedu rwomirepi


Kufunga kwedu kwomirepi
Norudo rwedu rwomirepi
Pamuchinjikwa

Tsaona ingaperi yose


Nemhaka dzose dzingaripwe
Zvakaipa zvinoregerwa
Pamuchinjikwa

Dzakaona ngirozi pasi


Dzakati ngwanamwana pasi
Dzichiona mashura ayo
Pamuchinjikwa

HYMN 187
Hatina musha panyika
Hatifare kuva pano
Zvinofadza mweya yedu
Kutsvaga musha unouya

Hatina musha panyika


Tinoda musha uri kure
Zita rawo iZioni
Unopenya nguva dzose
Musha une runyararo
Vafambi vachazorora
Dai ndine mapapiro
Ndaiuya ndizorore

Mweya wangu chinyarara


Mwari ano ziva zuva
Achaita sokuda kwake
Iye wondipa zororo

HYMN 188
Apo tsuri yake Mwari inorira kwazvo
Inotaura kune vese kuti ‘Uyai'
Tese tinobvira kuenda iyo,hakusare munhu
Nemazita edu achazodaidzwa

Asi hatizivi musi uyo tichadanwa ndiwo


Ndizvo ngatidaidzirire zvino pano
Tirindire uyo musi ,tinonatswa kuenda iyo
Nemazita edu achazodaidzwa

Ngatibate basa redu nemasimba misi yese


Ngatitaure zvishamiso zvake zvese
Tichiita zvakanaka kune vanhu vese vese
Nemazita edu achazodaidzwa

Asi isu vemaKristu hatizotyi kuenda iyo


Mwari ndiye Baba wedu wakanaka
Jesu Kristu ndishamwari ndiye anotonga vese
Nemazita edu achazodaidzwa

Chorus
Kuti ndodaidzwa ndiye
Kuti ndodaidzwa ndiye
Kuti ndodaidzwa ndiye ndova'yo

HYMN 189
Mwari uri zuva redu
Unopenya pauzuro
Asi mweya ungaone
Paunozofamba napo

Mwari uri ,nhovo yedu


Hatidzityi hondo dzedu
Dzose dzino kundwa newe
Tigouya nokufara

Unotipa ngoni dzako


Unotipa noutsvene
Unopa vanonamata
Unopa rukomborero

Rukomborero rukuru
Rukomborero rwedenga
Ruripo rwavanofunga
Kuti vanodiswa newe

HYMN 190
Pane zita rakanaka
Ndinoda kuimba
Izita ratenzi wangu
Zita rakazipa

Rinotiudza zvorudo
RwaJesu Kristu Ishe
Wakafira neropa
Rinotinatsa zve

Rinotiudza zvaMwari
Anotigadzirira
Toona ch'edza chake
Jesu pam'chinjikwa

Runotiudza zvomwoyo
WaJesu Kristu Ishe
Unoziva suwa redu
Ndokubatsira zve

HYMN 191
Ini ndinoda k'tevera Jesu
Ini ndinoda k'tevera Jesu
Ini ndinoda k'tevera Jesu
Handidzokeri, dzokeri shure

Kunyangwe ndoda, ini ndotevera


Kunyangwe ndoda, ini ndotevera
Kunyangwe ndoda, ini ndotevera
Handidzokeri, dzokeri shure

Zvenyika shure m'chinjiko mberi


Zvenyika shure m'chinjiko mberi
Zvenyika shure m'chinjiko mberi
Handidzokeri, dzokeri shure

HYMN 192
Dombo ndipe meso ndione
Pauzuru kudenga
Ndivaone vanoutsvene
Vanofara kunaShe

Zviya zvavaiva panyika


Vaichema misidzi
Vaimanikwa nokuedzwa
Muedzi achiedza

Ndakaona negwara rake


Ndikabvunza makadii
Ndiyeye wangu wakatifira
Wangu wafira isu

Vakaona negwara rake


Rakaenda paupenyu
Vakafamba pagwara rake
Vakazorora kudenga

Ngaarumbidzwe M'tungamiri
Zvaatitungamira
Kusashaike muteveri
Panero gwara rake

HYMN 193
Sarai neni kwavira zvi…no
Kwasviba Ishe mugare pa…no
Hakuna vanga betsere…ni
Huyai mugosara ne…ni

Hupenyu huno hunope…ra


Mufaro wenyika watoi…nda
Kuvona ndinovona kwo…se
Musingafi musare ne…ni
Ndomuda mazuva o…se
Imi makunda zvivi zvo…se
Mungandirwira moga i…mi
Mis'yose mugosara ne…ni

Handingatyi muchipandi…ri
Mapfumo ambokundwa ne…mi
Rufu haruchazondirwadzi
Ndokunda muchisara neni

Ndivone chinjikano ye…nyu


Ndichisvikirwa narwo ru…fu
Chiedza chenyu chindisvi…tse
Kudenga kwamuchava ne…ni

HYMN 194
Jerusarema musha wangu
Musha wakanaka
Kana ndapedza mabasa
Ndinoenda kwamuri

Ndichauona riniko
Uyo musha wangu
Une dzimba dzakanaka
Nokudya kutsvene

Hapasisina kuipa
Hapana nenhamo
Ndinoramba ndichienda
Kumusha mutsvene

Ndingatye here kurwadza


Ndingatize kufa
Kwete ndinoenda kuKenani
Nyika yandinoda

Vaprofita vadzidzisi
Vakafira Jesu
Varipo pamwe naKristu
Neni ndichaenda

Jerusarema musha wangu


Wandinotsvakisa
Kana ndasvika kwauri
Ndichafara kwazvo
HYMN 195
M'nyika isingaperi mune guta dzvene
Hauzombo pfuuri hakuna usiku

Mazambara anokosha mune guta dzvene


Nzira ngedze ndarama hakuna usiku

Mazambara ha'pfigwi mune guta dzvene


Nerwizi runopenya hakuna usiku

Zuva harizopenyi musha mutsvene


Nyenye ndiyo kupenya hakuna usiku

Chorus
Mwari achapukuta masodzi avo vose
(Mwari achapukuta masodzi avo vose)

Hakuna kutya nerufu hakuna usiku


(Hakuna kutya nerufu hakuna usiku)

HYMN 196
Apo tinofamba muizwi raBaba
Imbirai toonana m'nzira
Kuti tinomuda nesu unogara
Nevese vanomutevera

Hakuna urombo hunotitambudza


Asi Jesu unoudzinga
Kana kupokana masodzi nokutya
Hazvigari nekusimbira

Hkuna mutoro hakuna urombo


Asi anotidzokesera
Hakuna kushaya kana kutambudzwa
Tinowona nekusimbira

Asi hatione kufara kwerudo


Dakara zvese tinomupa
Nekuti anopa kufara nerudo
Kuna ivo vanosimbira

Ndizvo pamwe tese tinogara naye


Kana kufamba naye m'nzira
Isu tichaita manzwi ake ese
Kuteerera nekusimbira

HYMN 197
Ndina muponesi anoshamisa anondishamisa ini
Anondiviga mubako redombo ,kune nzwizi dzerufaro

Ndina muponesi anoshamisa anorerutsa mitoro


Anondimisa handizotenheki ,ndiye anondipa simba

Nguva dzose anondikomborera ,ndozadzwa nembiri yake


Mbiri kuna Mwari ndomuimbira ,ndiye mununuri wangu

Kuti ndapfeka mbiri ndozokwira,ndokumbwa naye mumakore


Ruponeso rudo runoshamisa toimba tese kudenga

Chorus
Anondiviga mubako redombo rinobvisa nyota yese
Aviga upenyu muruoko rwake
Ofukukidza nerudo, Anondifukidza ini

HYMN 198
Chingwa chehupenyu tora Tenzi
Sezvo makachitora pagungwa
Pamagwaro enyu ndinoda imi
Mweya wangu Tenzi unoda imi

Ndipei chokwadi Tenzi wangu


Sezvamakaita paGarire
Kusungwa kunopera majoti zve
Ndoona zororo muna Tenzi

HYMN 199
Kunonaka kuda Jesu Kumudaira kwazvo
Kuzorora pachitsidzo Nekuti wakadaro

O, kunaka kuda Jesu Ndachena neropa'ro


Ndapona nekudaira Kuna M'ponesi'wo

Hunde zvakanaka kwazvo Kusimbira kwaJesu


Kugashira kuna iye Rufaro neupenyu
Ndinofara ndakadzidza Kusimbira kunemi
Ndinoziva ndichagara Pamwe nemwi narini

Chorus
Jesu,Jesu ndasimbira Ndakabatsirwa naye
Jesu,Jesu anondipa Mwoyo kusimbirazve

HYMN 200
Zano chiro chakanaka Tese tinorida kwazvo
Zano haritengwi kwete Riri chipo chaJehova

Izwi rake rine zano Kusimudza vanhu vese


Riri simba remarudzi Riri idi remakore

Ngero zano tine simba Rekuita zvakanaka


Asi rinouya basi Kune avo vanomuda

Soromoni wakarida Akarikumbira Mwari


Ndizvo Mwari wakamupa Zano pfuma nerukudzo

Apo tinoshaya zano Ngatiende kuna iye


Uyo ane rakakwana Kupa kune vanhu vese

Chorus
Zano ndega Zano ndega Zano ndega mwanangu
Zano ndega wakatadza Zano panga ndiJehova

HYMN 201
Ndinoshamiswa kwazvo Namabasa makuru
Akaitwa nemi Ose anorumbidzwa
Ukuru hwenyu Mwari Hunoshamiswa kwazvo

Kana ndarangarira Mabasa okudenga


Kana ndarangarira Mabasa epanyika
Ndinobuda misodzi Kana ndafunga imi

Mwari vatatu mumwe Itai tikudei


Nokuti mazotida Makatipa Jesu
Makatipa Mweya wenyu Wokutisimbaradza

Rumbidzai iwe wedenga Rumbidzai iwe nyika


Rumbidzai iwe wegungwa Nesu ngatirumbidze
Uyu Musiki wedu Ane rudo rukuru

HYMN 202
Muzunde renyu Baba
Mune basa rekuita
Vanhu havazivi imwi
Vanogara mune dima
Havazive nzira tsvene
Havazivi Jesu Kristu
Murumbwana wenyu chete
Havazivi rudo rwenyu

Ndiri pano Tenzi nditumei


Kune avo vanoshaya
Mudikani Tenzi wangu
Soko renyu ndingatora
Kana vanhu vandivenga
Sezvo imi makawengwa
Kuti muchindituma'yo
Ndichafara kushandira

Taurai Tenzi soko renyu


Taurai Tenzi ndiri kunzwa
Kuda kwenyu ngakuitwe
Sezvo munondiudzira
Ndiudzirei manzwi enyu
Kuti ndipe kune vanhu
Ndiudzirei manzwi enyu
Enyu basa Tenzi wangu

Chorus
Ndiri pano Tenzi nditumei
Kune avo vanoshaya

HYMN 203
Rukariro urwu rwangu
Rusimbire kuna Jesu
Handidawiri nemunhu
Asi zita raJesu

Kuti awigwa nedima


Tsitsi dzake ndogarira
Mumhepo huru yesimba
Ruwoko rwake ndobata
Chirangano chake icho
Nechitsidzo cheropa
Zvinondipa rusimbiso
Pakati pemadambudzo

Apo anenge auya


Netsuri ichazoridzwa
Ndinoda kuti ndimire
NaJesu parudyi rwake

Chorus
Ndinomirira pana Jesu
Ndiye dombo nheyo yangu
Zvimwe ndichamira hangu

HYMN 204
Pasi pano tinochema
Tinorwadzwa ndiSatani
Tinoedzwa zvirokwazvo
Tichitambudzika kwazvo
Asi tinoziva kuti
Pano handi musha wedu
Tichaenda kune nyika
Kuna Baba wakanaka

Takaiswa pasi pano


NeMusiki wedu Mwari
Kuti tizogadzirira
Nge'yo nzvimbo yakanaka
Iyo Jesu akaenda
Kofanira kugadzira
Akatisiyira izwi
Ndichadzoka kumutora

Kuti tichishaya kudya


Nemafaro akanaka
Kana hama dzativenga
Dzatituka zvirokwazvo
Tine hama yakanaka
Inogara pakudenga
Kugadzira nzvimbo yedu

Chorus
Pano handi musha wedu
Tinoziva imwe nyika
Tinoenda nekufara
Iyo tiri kudaidzwa

HYMN 205
Mambo Jesu watidaidza
Kuchidyo chake chokudenga
Tomira sei pakutongwa
Mambo apinda

Mambo Jesu ane chiremba


Pakare pazoiswa minzwa
Nembiri yake tichamuona
Mambo apinda

Achafara pakutiona
Kuti tapfeka nguo chena
Ndizvo kunesu kunonaka
Mambo apinda

Tenzi tinokumbira mutsa


Kuti tese tinozomira
Munzvimbo dzedu nekusatya
Mambo apinda

Chorus
Apo mambo apinda
Kuzotitonga
Tichamira sei apo
Mambo apinda

HYMN 206
Pamuchinjiko pane upenyu
Jesu ati nditarise
Pasi nepfuma ngezvenhando
Pamberi ndaona zvakanaka

Apo ndakamutarisa Jesu


Iye akanyemwerera
Kuti ndava mumatambudzo
Muchinjiko unondisimbisa

Ndinozotarisa muchinjiko
Ndosimbira muchinjiko
Hakuna anozoputsika
Vanosimbira simba redenga

Chorus
Kune upenyu mukutarisa muchinjiko
Upenyu mukutarisa paMuchinjiko waKristu
Upenyu hwakanaka kutarisa Kalvari
Upenyu hwakanaka kutarisa paKalvari paKalvari

HYMN 207
Mwari mubatsiri wangu
Dakara nazvino
Mudziviriri munhamo
Nebanza narini

Zvese zvisati zvasikwa


Makomo nemiti
Iwe wakanga uripo
Mugari narini

Pasi pechigaro chake


Vanhu vakakotswa
Maoko ake esimba
Anotidzivira

Kune vemisi mizhinji


Inokanganwikwa
Senguva yemangwanani
Kusati kwaedza

Tenzi muri Tenzi wemwoyo wangu


Wandinogarira
Mwoyo wangu kudai waiziwa
Ndaizomuona

HYMN 208
Kudenga kwakanaka kupinda pasi pano
M'ponesi wedu anogara iyo
Ari kutidaidzira kuti tizogadzirira
Nge'yo nzvimbo yedu yakanaka kwazvo

Kum'soro kwakanaka hakuna chakaipa


Ruriyo rwizi rweupenyu iyo
Jesu Kristu mambo weyo ane dendemaro rako
Asi vanhu vose vanomuombera

Rugaro rwake Mwari runotitaurira


Runakiso rwenyu rwakakomba
Runopinda zviro zvese runopinda kutondera
Rwakagadzirirwa vanhu vakanaka

Makwanza ayo ose aitwa ngendarama


Misiwo yese yakanakisisa
Ukuru ngehwemahwe akanaka anokosha
Zviro zvese zvinopenya nekubaka

Chorus
Tizowona M'ponesi ,tizomuchingamidza
Tizogara naye nekusingaperi
Tizowana M'ponesi ,tizomuchingamidza
Tizotonga naye nekusingaperi

HYMN 209
Hoyo mushandiri waShe
Ndoda kurairwa nemi
Kuchengeta shoko renyu
Nekuita kuda kwenyu
Ndisaite kuda kwangu
Ndizadzise kururama X 2

Kana mandinzwira ngoni


Kuti nditiswe basa
Sarudzai zvamunoda
Asi garai mandiri
Zviito ngazvive zvenyu
Zvakanaka zvakakwana X 2

Pfungwa dzangu dzose Ishe


Ngadzitungamirwe nemi
Basa rangu rive renyu
Ndiro roga rakakwana
Ndiro rinofadza basa
Renyu roga rakakwana X 2

Ndinozviisa kwamuri
Ndiri ivhu mundiumbe
Mundiite hari yenyu
Ndikutererei chose
Ndive mushandiri wenyu
Paupenyu nepakufa X 2

HYMN 210
Wakatambudzika Jesu
Wakatambudzikira isusu
Wakatambudzika Jesu
Kuti tirarame

Wakasenga chinjikano
Wakananga Gorogotha
Wakaroverwa ipapo
Mambo wemadzimambo

Zvinochemedza vazhinji
Muupenyu hwatinorarama
Tinotenda mweya washe
Mweya munyaradzi

Usarase moyo wako


Ishe anoziva zvose
Ihama iri pedyo
Shinga unamate

Saka nesu vana vashe


Ngatifambe nzira imweyo
Yekutambudzika kwashe
Nyangwe zvichirwadza

Chorus
Kurwadza kurema
Wakafira isusu
Kutukwa kusuwa
Wakaona zvose

HYMN 211
Jesu asati aenda akataura kwavari
Ndichazovaka sangano padombo'ro ndiye Jesu

Jesu asati aenda akataura kwavari


Ndichavaka sangano sangano'ro rake Jesu
Akataura kwavari kuchazouya mapumhi
Anoparadza sangano sangano'ro rake Jesu

Kana ndichinge ndaenda kuchazouya mapumhi


Anoparadza sangano sangano'ro rake Jesu

Ngatiparidze kuvanhu nezvesangano raJesu


Rinotaurwa muBhaibheri sangano'ro raJesu

Ngatiparidze kuvanhu nezvesangano rimwe chete


Rinotaurwa muBhaibheri sangano'ro raJesu

Chorus
Ndorambira ipapo pasangano'ro raJesu
Madambudzo epanyika anondiwana ndiripo

HYMN 212
Baba wedu makatsidza ndinokutungamirira
Kuti usarasikeba ndinokutungamirira

Apo unotambudzika nekushaya zano riya


Unofunga aya mazwi ndinokutungamirira

Kuti hama dzako dzafa uchidzichemera kwazvo


Unofunga aya mazwi ndinokutungamirira

Apo unokomborerwa mwoyo wako unofara


Unodisa aya mazwi ndinokutungamirira

Mangwanani ese ese unofunga aya mazwi


Echitsidzo chakanaka ndinokutungamirira

Apo unorara pasi pausiku uri wega


Unotenda aya mazwi ndinokutungamirira

Apo unobata basa unofunga manzwi ake


Uyo wakakutsidzira ndinokutungamirira

Chorus
Ndinokutungamirira ndinokutungamirira X 2
Pakukwira kune denga ndinokutungamirira
HYMN 213
Mukristu muka Tenzi akutume
Nenheyo nemunondo mumaoko
Enda usangane nemuedzo shinga
Mira segamba utarise mhandu

Kana munjodzi chenjera ngwarira


Usadzokere hakuna chishangu
Vakani verima ungavakunde
Mira segamba utarise mhandu

Basa raTenzi dziwira nesimba


Rinda udise urwe kumagumo
Kwaanotuma enda ukasike
Mira segamba utarise mhandu

Enda usatye Tenzi ari pedyo


Anopa tsitsi nekukunyaradza
Rudo rwake sekarwizi mugwenga
Mira segamba utarise mhandu

Chorus
Iwa gamba Iwa gamba
Iwa gamba Utarise mhandu

HYMN 214
Ndinokudza Kristu ndinovimba naye
Ndinomuti muponesi wakandinunura

Femera kwandiri Mweya woMutsvene


Kuti ndinzwe muchinditi pinda muzororo

Vasimbisa naShe nemasimba ake


Uyo unovimba naye pinda muzororo

Mushandi waMwari chizorora zvino


Wakarwisa wakakunda pinda muzororo

HYMN 215
Hama dzangu musha wababa watinodaidzirwa
Kune nzvimbo yako kudenga asi munongoramba

Akavapindura achiti mazuva mangani


Ndichikunyengetera iwe asi unongoramba

Akavapindura achiti mazuva matatu


Ndichikunyengetera iwe usandikanganwezve

Muviri wangu kana ndafa ndoiswa muguva


Hama dzangu dzinoparara ini ndosara ndoga

HYMN 216
Ndaive ndakarasika ,ndaive ndiri murima
Ndiri musungwa ndichitambura

Nedzimwe nguva ndichifunga


Misodzi inoyerera ndaisaziva Ishe Mwari

Nyatsotarisisa shamwari Jesu ari pamuchinjiko


Ari musungwa achitambura

Chorus
Ishe musandisiye X 4
Haa paupenyu hwangu,imhepo zvayo
Inovhuvhuta anovhuvhuta nemapapiro
Musandisiye

HYMN 217
Jesu ari pamuchinjiko akadaidzira X 2

Kubvira nguva yetanhatu


Kusvika nguva yepfumbamwe X 2

Chidzitiro chemutemberi
Chakabvaruka X 2

Chorus
Vaingoti Mwari wangu Mwari wangu
Mandisiyireiko X 2

HYMN 218
Mazuva ano ndeekuguma,nguva ino yekupedzisira
Hama yangu unobatei
Ishe Jesu ouya
Wakataura mwana waMwari ndoenda hangu asi ndichadzoka
Kana moona zvose zvoitika
Moziva kuti kuguma kwasvika

Wagadzirira here shamwari,nguva ino yekupedzisira


Shamwari yangu zvifungisise
Ugadzirire mweya wako

Chorus
Hama yangu unobatei X 3
Hama
Ishe Jesu ouya

HYMN 219
Mufaro wezuva riya,wakapinduka kuchema
Kuchema Abisolom Abisolom wafirei

David ochema mariro,kuchemera mwana wake


Mwana wake Abisolom Abisolom wafirei

David ochema Jerusalem,Jerusalem musha wake


Jerusalem musha unodadisa Abisolom wafirei

Chorus
BASS: Abisolom X 2
TENA: Mwana wake X 2
TESE: Vakafa nemhosva yavabereki
Abosolom wafirei

HYMN 220
Kuti tive pano Inyasha dzaMwari
Inyasha dzaMwari
Inyasha dzaMwari

Kukura kwedu tese Inyasha dzaMwari


Tisambo zvikudza
Hausi uchenjeri

Kudzidza kwedu tese Inyasha dzaMwari


Tisambo zvikudza
Inyasha dzaMwari

Misha yatinayo Inyasha dzaMwari


Tisambo zvikudza
Hausi uchenjeri

Murume waunaye Inyasha dzaMwari


Tisambo zvikudza
Inyasha dzaMwari

Mukadzi waunaye Inyasha dzaMwari


Tisambo zvikudza
Hausi uchenjeri

Vana vatinavo Inyasha dzaMwari


Tisambo zvikudza
Inyasha dzaMwari

HYMN 221
Iwe rangarira zuva riye
Rawakazvarwa uri wega
Uchafa uri wega
Ugovigwa uri wega

Baba rangarira zuva riye


Rawakazvarwa uri wega
Uchafa uri wega
Ugovigwa uri wega

Mai rangarirai zuva riye


Rawakazvarwa uri wega
Uchafa uri wega
Ugovigwa uri wega

Sisi rangarirai zuva riye


Rawakazvarwa uri wega
Uchafa uri wega
Ugovigwa uri wega

Chorus
Pano paita nyaya
Yeruponeso yekuberekwa kutsva
Pano paita nyaya
Yeruponeso yekuberekwa kutsva

You might also like