Cala 2

You might also like

Download as doc, pdf, or txt
Download as doc, pdf, or txt
You are on page 1of 6

CALA COMPONENT 2

CHIKAMU CHOKUTANGA
Ndezvipi zvakanakira nharembozha muupenyu
nemukudzidza muzvikoro?

Kutaurirana
Kare kutaurirana nevanhu vaive kure zvaive zvisiri nyore
nokuda kwekuti paisava nenharemhozha. Kubvira zvakauya
nhare zvavanyore sezvo unongokwanisa kungotumira
mashoko panhare vanhu vachibvunzana mufaro pamwe
nekuudzana mashoko anosuwisa seerufu.

Varaidzo
Kubvira zvakauya nhare vanhu vavakukwanisa kuzvivaraidza
vasingafambe zvinhambwe zvakareba. Munhu anongotora
nhare yake anenge otoona mutambo wenhabvu kana
kutamba mitambo inomuvaraidza panhare yake.

Iri nyore kushandisa


Mukurarama kwedu hapana asingakwasise kushandisa nhare
nokuti iri myore kushandisa uye inouya nema”instructions”
kuti inoshanda sei izvo zvonoita kuti iite nyore kushandisa.

Nhare yakanakira kuti unokwanisa kutsvaga zvinhu


zvekuchikoro ipapo pamwe nekutonyora nekuverenga.
Unokwanisa kuwana mabhuku okuverenga pamafashamu
eindaneti.

Unokwanisa kuwanazve mabhazari anokubhadharira mari


yekuchikoro izvo zvinobatsira kuti uendereremberi nedzidzo
dzako dzose kusvika wave kushanda

Nhare inowanikwa kwese {Accessible}


Nhare dzinowanikwa kwese kwese pamwe unokwanisa
kutenga chero nzvimbo yaunenge uri pasi rese. Hapana asina
nhare nokuda kwekuti inobatsira pamwe inowanikwa kwese
kwawaenda.

Unokwanisa kutora mifananidzo


Kana une nhare unokwanisa kutora mifananidzo yezvinhu
zvechikoro pamwe nevanhu. Izvi zvinobatsira kuti
uzorangarira zvinhu nemifananidzo iyoyo. Zvinobatsira kuita
zvinhu zvechikoro zvekare.

Kutenga nekutengesa panhare


Panhare unokwanisa kutenga zvinhu zvechikoro pamwe
nekutengesa. Nhare inobatsira vanhu kuti vakwanise
kukasika kuwana zvinhu zvechikoro zvavanenge vachida
kushandisa.
CHIKAMU CHECHIPIRI
NDEAPI MATAMBUDZIKO ANOKONZERWA
NENHAREMBOZHA?

Nhare inokonzera kuti vechidiki vasaite zvechikoro vatsvage


mifananidzo nemavhidhiyo evanhu vanenge vakashama
miviri yavo vachizvi shambadza pasosho medhiya. Izvi
zvinokanganisa pfungwa dzavo pamwe nemuzvikoro vanenge
vasisakwanise kufunga zvakanaka.

Nhare inokonzera zvakare njodzi mumigwagwa sezvo vanhu


vanenge vasina kutarisa pamugwagwa vanenge vakatarisa
panhare dzavo vachitaura nevamwe kana kuona mifananidzo
kana kutorana mifananidzo vachityaira.

Nhare inokonzera kuti vana vechidiki vafuririke, izvo zvinoita


kuti vatange kunwa pamwe nekuputa zvinodhaka. Izvi
zvinoita kuti varase hunhu pamwe nekushaya chimiro
pavanhu.

Nhare dzinopedza nguva dzevanhu panze kuti tinge


tichiverenga nekushanyira vanambuya nanasekuru kumusha
tinopedza kunguva tichiona zvinhu zvinovhiringa hutano
hwedu.
Runharembozha chinhu chinogara chiripo asi chinhu
chinodhura kwazvo. Mari inodiwa kutenga nekugadzirisa
nhare kanaichinge yafa yakawanda kwazvo uye inogona
kutoshandiswa zvinhu zvakakosha kwazvo muupenyu
sekutenga mapiritsi nezvimwewo.

Nhare inokonzeresa gomarare ikaramba ichishandiswa


zvakanyanya izvi zvakataurwa neveCancer Association kuti
nhare ikanyanya kuiswa paganda zvinokanganisa zvichizoita
kuti munhu aite gomarare yeganda.

Nhare dzinokanganisa zvakare inokanganisa mamiriro


ekunze. Zvinhu zvinogadzirwiswa nhare zvinoita kuti kunze
kushanduke izvi zvinoita kuti kupise zvekuti pamwe nekuita
nzara.
CHIKAMU CHECHITATU
NDEZVIPI ZVINGAITWE KUDEREDZA MATAMBUDZIKO AYA?

Matambudziko anokonzerwa nenhare anogona kuderedzwa


nekushanyirana zvakanyanya. Vanhu pavanoshanyirana
vanenge vasisa shandise nhare vanenge vavakukurukura
vachitaurirana vachionana.

Kugadzirisa nekusarasa manhare zvinoderedza


kushandikakwemiriro ekunze izvi zvinoitawo kuti kunze
kusanyanya kupisa kana kutonhora kana kunaya nekuita
chimvuramabwe.

Kupota vanhu vachienda kumafura mhepo izvi


zvinoderedzawo kuti vana ne vabereki vagare vachikurura
nekutaura vazivane, zvinoita kuti vasiyane nenharembozha.

Kusatengera vechidiki nharembozha zvinoderedza


matambudziko mazvhinji anokonzerwa nenharembozha
nekuti vanenge vavakuita zvechikoro chete vanenge vasisina
zvinova zviringa.
Tinokwanisa zvkare kuita nhimbe ndimahoka kuti tibvise
pfungwa dzedu dzose pane nharembozhare tinenge tave
kubatsirana kurima nekukohwa izvo zvinoita kuti tsika dzedu
dzichengeteke pamwe nekusimbisa nharaunda dzedu.

Tinokwanisawo kupanananguva shoma yekushandisa


nharembozha dzedu kuti zvisatitorere nguva nevabereki
pamwe nevana vedu. Vanhu vanofanirwa kudya kubika
nekuwadzana vose semhuri kuti vasaita kuti vatorwa
vanogara pamba imwe chete nekuda kwenharembozha.

Muzvikoro mufanirwawo kuita zvidzidzo kuvana vechikoro


vachivazivisa zvakaipira nhare kuti vagare vachiziva

You might also like