Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 14

ZION CHRISTIAN CHURCH

CONSOLIDATED LIVESTREAM & NYARADZO TABAKONI


WEEK ENDING 21 May 2023
1. KANA UKAGADZIRISA NDANGARIRO DZAKO PAMUSORO PEVANHU, DZIKAVA
DZERUGARE, CHISO CHAKO AUTOMATICALLY CHINOSHANDUKA KUITA SECHAMWARI
(Genesis 33 vs. 10b)
Kune vamwe vanhu vane zviso zvakaita sezvanaGehazi zvokuti chero ari mudzidzisi vanhu
havasununguki kuchema nhamo paari (2 Madzimambo 4 vs. 26). Mukadzi weShunemi
kunyange akanga aine dambudziko akati kuna Gehazi aewa, ndine mufaro hangu, izvo
akatarira chiso akaona utsotsi. Nechiso chaEsau chakanga chakadaro mazuva avairwa
naJakobo, asi akazoplanner rugare nemunin’ina wake, chiso chake chikashanduka, kuita
sechaMwari. Musi wavazosongana Jakobo akatodembeterera Esau kuti gashirai henyu
chipo changu nokuti ndaona chiso chenyu chakaita sechaMwari (Genesis 33 vs. 10).
Izvo chakatanga kugonekwa naEsau musi waasongana naJakobo ndechichi:
(i) Akamhanyira munin’ina wake – kureva kuti akaratidza kuti anga amushuva. In English
it says, Esau ran to meet Jacob. Running to meet his brother was a sign of
reconciliation. He was welcoming his brother back. Izvozvi zvinokonekwa nevamwe
muukama. Vamwe havatoratidzi mufaro achisangana neveukama hwake, kana
nevatendi vaanobata navo.
(ii) Akandosongana naye – vamwe pakati pedu havadi kusangana nehama dzavo, asi
uyu akamhanya kundosongana naJakobo. Tabhera dzimwe dziri kufa nemhaka
yevatendi vanoti ini handidi kusangana nangana, asi uyu akasangana nemukoma
wake waanga aparadzana naye vachidzingirirana kuda kurwa. Ko imi chinoita musada
kusangana sehama, kana sevatendi chii?
(iii) Akamumbundikira – vamwe vakasangana havamhorosani, asi uyu akaita
zvokumbundikira. Kumbundikira chiratidzo chemufaro mukuru zvokuti ukazviitira
munhu anoona kuti unomuda. Isu sevatendi tinotenderwa kumbundikirana, asi
tichizviita varume voga, madzimai oga. Chakanyanya kukosha kana ukasvika
pavanhu vazhinji chirega kumbundikira munhu umwe chete, wosiya vamwe, unenge
watotsaura boka, kana wada kumhorosa kwekumbundikira vanhu chitoita munhu
wose.
(iv) Akawira pamutsipa wake – haungawiri pamutsipa wemunhu wausingadi, urwu
rwaiva rudo. Ndivanani vanozvigona kuti mambomhorosana nemaoko,
mombundikirana, muchiita zvekuwira pamutsipa weumwe wako?

1
(v) Akamusveta – yakanga isiri kiss yaJudas, but a kiss from love, yaibva pamoyo. Isu
pachiZion hatichasvetani (kissing each other) nokuda kwezvirwere zvimwe
zvongonyuka, asi Esau akazviita kuratidza rudo rukuru kumunin’ina wake. Iyi
yokusvetana yasarira mumba, muna baba namai, ndirwo rudo rwacho.
(vi) Akachema pamwe naye – uku kwaive kuchema kwemufaro kuti shuwa here ndiye
munin’ina wangu wandange ndave nemakore ndisingaoni?
Esau pose paakamhanyira Jakobo, kusangana naye, kumumbundikira, kuwira pamutsipa
wake, kumusveta iye Jakobo mumusoro make makanga muchingorangarira zvakare,
zvekurwa kwavo. Akazongojoiner mukoma pakuchema, vakachema vose. Ndizvo zvati
Jakobo achiona akazomudembeterera kuti agashire chipo chake, nokuti akati ndaona chiso
chenyu chakaita sechaMwari (Genesis 33 vs. 10).
2. KANA TOPIKA MHIKO, INGUVA YOKUTI VANE NZARA VACHIGUTISWA NAMWARI, ASI
VAFUMI VACHADZOKERA VASINA (Ruka 1 vs. 53)
Nguva ino yekupika mhiko inguva yokuti vane nzara vachigutswa naMwari. Nhamo iri
kuvafumi kureva vanhu vasine hanya nemhiko kana zvose zvinoraramisa zvatinodzidziswa
nhasi, vachadzokera vasina (empty handed). Kugutiswa ndiko kupiwa zvaunokumbira.
Ivavo vane nzara ndimi mamirirwa naMwari kuti akuitirei chinhu chitsva (Isaya 43 vs. 19).
Chinhu chitsva ndiko kuti pakanga pasina chinhu pava nechinhu. Kana pamusha panga
pasina:
(i) chirugu chehuku, wowona chavapo,
(ii) chirugu chembudzi, woona chavapo,
(iii) chirugu chemakwai woona chavapo,
(iv) danga remombe woona ravapo,
(v) bhasikoro woona ravapo,
(vi) ngoro woona yavapo,
(vii) motikari woona yavapo,
(viii) panga pasina garden, woona yavapo
Umwe pamba pavo panga pasina imba ine floor yecement, asi woona yavapo, ndicho
chitsva. Umwe musha panga pasina imba yemazenge asi dzavapo ndicho chinhu chitsva.
Umwe musha waiva nedzimba dzematanda, asi pavawo nedzimba dzezvitinha zvakatsva,
ndicho chinhu chitsva. Umwe aiva roja, asi ava neimba yako yootorojesawo, ndicho chinhu
chitsva chinoitwa naMwari.
Asizve, Mwari anoita chinhu chitsva kana iwe waitawo chinhu chitsva. Pano paZion
anorarama ndewapfakanyika (Ezekieri 16 vs. 6). Kana usingapfakanyiki (kureva usina
manamatire nemabatire matsva) hausi kupfakanyika, saka unofira muropa rako iroro.
Mapfakanyikire edu ndeekurumbidza Mwari nemhiko, nokuti tinozviziva kuti Mwari
anoitirwa mhiko pano paZion (Mapisarema 65 vs. 1). Aitaura izvi ndiDavid, achidana
Mwari mumba make kuti huyai ndikubikirei mhiko. Asi dhunyasi dziri busy kutaura
2
mashoko makukutu (Maraki 3 vs. 13), vamwe vachitaura mashoko okutya Mwari okupika
mhiko (Maraki 3 vs. 16). Izvo David aiziva kuti Mwari anonzwa mhiko (Mapisarema 61 vs.
5). Usaita mistake yekurega kupika mhiko, kana kupika worega kunyorwa mudaily
collection register, and receipt book nokuti zvose zvinobatwa zvisinganyorwi zvinodyiwa
netumakava twakagarira kudya maruva otunga (Rwiyo rwaSolomoni 2 vs. 15).
3. PERIOD INO YATIRI YEKUPIKA MHIKO IS OUR MATING PERIOD, IT’S A TIME FOR GOD
TO HAVE MERCY ON ZION (Mapisarema 102 vs. 13)
Kuzvipfuyo kune nguva inonzi mating period. Mating period ndiyo nguva yakakosha nokuti
ndiyo inoti kana iri mombe yava kutarisira kusangana, nekubata zamu. Ukavhiringa
chipfuyo nguva iyi unoruza. Zvino nguva ino yekupika mhiko it’s our mating period yokuti
naMwari pachake anenge asimuka kuti anzwire Zion ngoni (Mapisarema 102 vs. 13).
Ndiyo nguva inobuda mapoka maviri anoti:
(i) Boka revasingatyi Mwari, vanotaura mashoko makukutu ekunyofura (Maraki 3 vs. 13).
(ii) Boka revanotya Mwari, vanotaurirana zvekukudza Mwari wavo (Maraki 3 vs. 16).
Choose from these two verses where you want to belong. It’s either the verse 13 group
revasingatyi Mwari, or the verse 16 group revanotya Mwari.
Umwe neumwe anofanira kungwarira mashoko ake nenguva ino, nokuti nemashoko ako
unotongwa, uye nemashoko ako uchararamiswa (Mateo 12 vs. 37). Zvizivei kuti tiri
paworkshop yaMwari, paanobika maropafadzo ari (Mapisarema 128 vs. 5). If God called
you to Zion, it’s good to find the reason why he called you to Zion. The fact that you are
around holy people doesn’t guarantee that you will be blessed. The fact that you run with
people with big names doesn’t make you big, but what you do on your own will make you
big. Kana vamwe vachimuka vachienda kumunda iwe ukasamuka, kana vokohwa iwe
haukaruki wokohwa nokuti hauna chawakarima pairima vamwe. Kana vamwe vakamuka
vachienda kumabasa avo iwe uchiramba uvete, kana vodya iwe haukaruki wadyawo nokuti
hauna chawakaita, saka hongu we are in mating season but watch out what you are doing.
4. DON’T BE A NO NAME PERSON HERE IN ZION BECAUSE EVERY BLESSING COMES
THROUGH A NEW AND CLEAN NAME (Genesis 27 vs. 18 & 32)
Kuva muZion chinhu chakanaka, asi hazvina kukwana kana usina zvauri kuita pamberi
paMwari. Don’t be a no name person here in Zion. A no name person munhu asina
chaanozikamwa nacho. Ruyo runoti mutsamba zita rakanyorwa rikadzimwa. Where is your
name?
(i) At your Cell?
(ii) At your Tabhera?
(iii) Munyika yekwako?
(iv) Pavanhu vari kubata mabhazi eUngano?
(v) Pavanhu vari kupika mhiko dzavo?

3
Kana ukaona vamwe vachibata, vachinyorwa iwe uchingosara usina zvawakaita, ndiwo
masarire ako chero pakuropafadzwa. Umwe musi pana Moses vakanzi vari kudivi raMoses
huyai divi iri, vana vaRevhi vose vakaenda (Exodus 32 vs. 26), izvo ndiyo yaitova sununguro
yavo nokuti mazita akabva atonyorwa. Iye ropafadzo haiuyi pasina zita. Kana Mwari oda
kuropafadzwa vanhu, anoshanda nemazita, ndiko saka Jakobo akanzi what is your name
paanga oda kuropafadzwa (Genesis 27 vs. 18). Iyeyezve Jakobo musi waasangana
nemutumwa akarwa kuti aropafadzwe, asati aropafadzwa mutumwa akazomuti zita rako
rimbori aniko (Genesis 27 vs. 32)? Kana ari Kristu kuvadzidzi vake vachifara kuti tadzoka
kupatron akavati mufare bedzi kana mazita enyu akanyorwa mubhuku yeupenyu (Ruka 10
vs. 20). Saka ukaona panonyoreswa mazita pamberi paMwari nyorwawo, uye usanyoresa
zita renhema. Your blessings are going to be attached to your name.
Ariko ma:
(i) Regional Coordinators – anofunga kuti mabatire eRegion ndiwo anondiropafadzisa, izvo
iye haana chaabata.
(ii) Centre Coordinators – anofunga kuti mabatire eCentre achamuropafadzisa iye asina
chaabata.
(iii) Greater Coordinators – anofunga kuti ropafadzo yangu iri pamabatire aita Greater
izvo iye asina kubata.
(iv) Ministers – vanofunga kuti ropafadzo yangu iri pakubata kwaita NYIKA iye asina
chaabata
(v) Headmasters – vanofunga kuti ini ropafadzo yangu ndinoiwana nekuda kwezvaitwa
neTabhera iye asina kubata zvake.
Ropafadzo yemunhu iri pane zvaaita iye. Kana usina chawabata mumba mako hakuna
chinouya kwenyu kunyange Region ikanzi yapinda muKurwa kwakanaka. Hakuna
ropafadzo inonzi Region, asi ropafadzo inouya ichitsvaga zita, ndiro rinoropafadzwa asi
rinoropafadzwa sezvawabata. Nguva yose yatinouya pamberi paMwari anoda munhu one
by one, saka kuchinzi dzidzisai munhu mumwe nemumwe kuiti asvike pamberi paKristu
akakwana (VaKorose 1 vs. 28).
5. NGUVA INO YATIRI MAZION DZIKAMAI, MUNGWARIRE KUNGOMHANYA NENYIKA
MUCHITSVAGA KUBATSIRWA IZVO BATSIRO YEDU IRI PANA MWARI UMWE WOGA
(Marko 5 vs. 25)
Mukadzi uya wekubuda ropa akanga ari a lonely woman. Nemhaka yekuva lonely, aiti
chero guhu raanzwa rekuti apo pane unobatsira aiswera atovako. Izvozvo zvakaita kuti aite
18 years ane dambudziko rekubuda ropa, akapedza n’anga zhinji achitsvaga kutobatsirwa,
asi haana kubatsirwa, akatonyanyiswa (Marko 5 vs. 25). Be careful of loneliness. Loneliness
is a disease which consumes your own self. When you avoid fellowshipping, you are prone
to stray dogs (zvimbwamupengo). Vamwe nekugara vari lonely, vakadzamara
vazvisungirira nokuda kwekushaya wekuudza zviri kumudya moyo. Saka farirai kuungana
4
nevamwe (VaHebheru 10 vs. 25). Iye Mwari paasika Adam, akati amutarira agere
mumunda weEden akamunzwira tsitsi nokuti wakati hazvina kunaka kuti munhu agare ari
oga (Genesis 2 vs. 18). Zvaanzi ari oga anga akatokombwa nemhuka, neshiri dzesango asi
havasi vanhu, saka pamberi paMwari he was regarded as being lonely.
Jesu unoti kana mukazonzwa kuti Kristu uri papo, kana apo, regai kutenda, nokuti
pachamuka vanaKristu venhema (Mateo 24 vs. 23). Mumwe musi waenda vadzidzi
kundoona mabasa aiitwa naJohane, pavakadzoka akavati manga maendepi, tarirai manga
maenda kundoona rushanga runozununguswa nemvura (Mateo 11 vs. 7). Ipo pano paZion
ndiani angati haana kumbodanwa neumwe muporofita vamwe vachienda kuTabhera?
Asina kumbobuda kundotsvaga chimwe chiporofita ndiani, kana uripo tenda Mwari nokuti
vazhinji vakambomhanya nenyika vakandofugamira Baari, ndokuzodzoka. Mubvunzo
ndewekuti zvamakaenda ikoko mukadzoka, makadzokerei? Hatina dambudziko
nevakabuda Zion vakaenda zvachose, asi dambudziko redu nderenyu imi vanoenda
kun’anga nezvimbwamupengo muchidzoka, ko munogodzokereizve?
Ropa rakanaka mukadzi wekubuda ropa nderekuti akazozadzwa nokutenda akafunga
mumoyo make kuti kana ndikabata mupendero wenguwo yake bedzi, ndichapona, akabata
akapona (Marko 5 vs. 28). Nemurairo wekusviba anga asingatenderwi kubata nguwo
yaJesu, asi akasvinuka hake akabata, Mwari akamunzwira ngoni akapora nokuti akaona
kuti haana kuitira utsinye, kana kusatya, asi kutsvaga kusunungurwa. Kusviba kwake
kwanga kuchamugarisa neurwere nokuti nemurairo wekusviba anga asingafaniri kubata
nguwo yaJesu. In this same context vose vasingabati mirairo you are regarded sevanhu
vakatosviba.
6. MHIKO YEGORE RINO UKANGOIBATA NEKUTENDA, UCHASUNUNGURWA
PAKURWARA KWAKO KANA PAKUTAMBUDZIKA KWAKO (Marko 5 vs. 25)
Mukadzi wekubuda ropa makore gumi nemasere (18 years) akazopora musi waati kana
ndikabata mupendero wenguwo yake bedzi, ndichaporeswa. Nhasi umwe angatsvaga kuti
saka mupendero waJesu uripi ndiubate? Mupendero chaiwo haungamuwani, asi Mwari
akatipa zvaakatema akatonga kuti kana tikabata tirarame nazvo (Ezekieri 20 vs. 11).
Ikozvino tava kupika mhiko. Umwe neumwe ngaarangarire nhamo yake
inomushungurudza apike mhiko akatarirana nayo, aibate apedze kuti Mwari
akusunungure.
7. KUTSAMWA KUNOWANIKWA, ASI SHOKO RAMWARI RINOTI USATSAMWA KUSVIKA
ZUVA RICHIVIRA (VaEfeso 4 vs. 25)
Kutsamwa kusvika zuva ravira it’s a punishment to your own self. Kana uchitsamwa
matsamwire iwawo unenge uchizvipa punishment. Zviriko zvinoitika mudzimba zvekuti
murume anongonzwa kuti nhasi mai ava handidi kutaura navo, kana kuti mai voti baba ava
handidi kutaura navo. Kana mukazviita, inonzi your own punishment. Zvino
5
kutotsamwirana muri mumba menyu kukange nane, pane kuuya kuzotsamwa mumba
maJehovha. Zvingafamba here kana vanhu vachiuya paCell vowana Elder, kana
Headmaster, kana mudzidzisi anovanamatisa akafundumwara? God didn’t call us to Zion
for a curse, he called everybody for a blessing. Mwari achivamba Zion chinangwa chake
hachisi pakutuka vanhu, asi kuropafadza umwe neumwe waakadana paZion. Zion hachisi
chirimbani chiya chinobata makozho, chekuti apinda anotukwa, asi Zion rakavambwa
naMwari kuzoropafadza vanhu vake. First agreement ndiyo yaitwa naMwari naAbraham
musi waadana Abraham akati ndicharopafadza vanokuropafadza, asi ndichatuka
vanokutuka (Genesis 12 vs. 3). Saka kana wakaitwa mufudzi, mumoyo mako funga
kuropafadza vanhu. Kuropafadzana kunotanga pakugona kumhorosana.
8. WHAT DO YOU WANT A BLESSING FOR, IF YOU HAVE NO IDEA TO BLESS OTHERS
(Genesis 12 vs. 3)?
Kana Mwari achiropafadza munhu anoda kutanga aona kuti iwe unogona here
kundoropafadzawo vamwe. Kana usina vaunofunga kuropafadza, don’t waste your time
asking for a blessing. Tanga warangarira vamwe, Mwari ozviona kuti uyu ndikamupa,
achandopawo, obva akuropafadza. Kuwanda kwevanhu vaunofunga kuropafadza, ndiko
kukura kweropafadzo yauchapiwawo naMwari.
9. KUNAMATA, KANA KUBAIRA HAKUREVI KUTI CHIREGAI KURIPA ZVIKWERETI, RIPAI
ZVINOFANIRA KURIPIWA (2 Madzimambo 4 vs. 7)
Kana tichinamata, kana kubaira hazvirevi kuti hatichina mhaka yekuripa zvikwereti. Chero
ukabata chegumi wagona, nokuti nekubata chegumi Mwari akagara atiudza kuti kana
mukagona kubata zvegumi ndichakudururirai mikomborero yamuchashaiwa pekuisa
(Maraki 3 vs. 10). Ukaona woshaiwa pekuisa zvinhu it only means blessings in abundancy.
Asi chero zvakadaro, kana wabata chegumi kana uine:
(i) chikwereti ripa – mukadzi uya weShunemi akanzi enda undotengesa mafuta iwawo,
uripe zvikwereti zvako, iwe urarame nezvasara (2 Madzimambo 4 vs. 7).
(ii) mutero ripa – Jesu akatoti ipai zvaKesari kun aKesari, naMwari zvaMwari (Marko 12
vs. 17).
Chikwereti choga chinotenderwa chikwereti cherudo (VaRoma 13 vs. 8).
10. WE MUST ALL FOCUS ON DEVELOPING WELLNESS CENTRES, STAFFING THEM, AND
IMPROVE THE WELFARES OF WELLNESS STAFF
Meso edu, nenjere dzedu dzose dzinofanira kuisa focus on Wellness centres. Tinofanira
kugara tichitaura kuti toita sei:
(i) to improve the outlook of every Wellness centre?
(ii) to improve the welfare of our resident Elders nanaMbuya nyamukuta?
(iii) to recruit more Elders, prophets, mid-wives (vanaMbuya nyamukuta) and office boys
and girls?

6
Wellness centre haifaniri kushoreka kuita semusha wen’anga. Let us develop our Wellness
centres zvokuti Mwari wedu akudzwe vanhu vachiona mavakirwe, nemagadzirirwe anenge
akaitwa misha iyi yaMwari.
11. INSTEAD OF MOODLING, LET’S ALL PRACTICE MODELING
Pane mashoko maviri anoti:
(i) Mood-ling – kufundumwara,
(ii) Modeling – displaying/sculpting.
Mood-ling yakatanga kushoorwa naMwari pana Kaini amuona asina mufaro, akati chiso
chako chakaunyana neiko (Genesis 4 vs. 6)?
Isu tinofanira kuita practice modeling, like what Esau did musi waasangana nemunin’ina
wake Jakobo. Vakanga vamboparadzana Jakobo achitiza kutsotsa kwaanga aita baba
akaropafadzwa pachinhambo chaEsau, saka musi waadzoka anga achiri kufunga hondo
iyoyo izvo Esau anga atochinja. Iye Jakobo ari busy moodling, Esau:
(i) akamhanyira munin’ina wake,
(ii) akasongana naye,
(iii) akamumbundikira,
(iv) akawira pamutsipa wake,
(v) ndokumutsvoda,
(vi) vakachema vose (Genesis 33 vs. 4).
Pose pakamhanya Esau, achitsvaga kusangana naJakobo, akamumbundikira, akawira
pamutsipa wake, akamutsvoda, Jakobo anga achiri in moodling mode. Akazojoiner
pakuchema chete, izvo mumusoro make manga muchiri kurangarira hondo nemunhu
akamukangamwira kare.
12. WHEN GOD SAYS WHERE ARE YOU, WILL YOU BE THERE? WHAT ABOUT HAPPINESS
WHEN HE SAYS ARE YOU HAPPY?
Mibvunzo miviri iyi Mwari unoifarira. Nguva dzose kana tikadanwa pangava paTabhera
kana Ungano Mwari anobvunza kuti:
(i) Where are you?
(ii) Are you happy?
Takamuona achizvibvunza pavanhu vekutanga chaivo. Mumunda weEden vasati vanamata
akabvunza Adam kuti where are you (Genesis 2 vs. 10)? Kuna Kaini akati ko chiso chako
chakaunyana neiko (Genesis 4 vs. 6)? Saka mibvunzo iyi kana tava paDefe Mwari akati
where are you, will you be there? Kana ukange uripo, ko akazoti are you happy, will you be
happy?
13. MWARI ANONZWA MHIKO, UYE NEMHIKO UNODZOSERA NHAKA KUNE
VANOMUTYA (Mapisarema 61 vs. 5)
Mwari anonzwa mhiko, zvokuti kana ari David wakazoti imi Mwari makanzwa mhiko
dzangu, mukadzosera nhaka kune vanotya Mwari (Mapisarema 61 vs. 5). Nguva yekupika
7
mhiko is a very important period in Zion. It is our mating period zvokuti ukapika mhiko
zvakanaka ukaibata nenguva Mwari anokudzosera chero zvawakadyirwa negwatakwata
(Joere 2 vs. 23).
14. LETWEEN MOYO TINOMUFANANIDZA NAANANIAS, MUNHU AINAMATA MWARI
SEZVINOREVA MURAIRO, ACHIPUPURIRWA ZVAKANAKA NEVAJUDHA VOSE
VAKANGA VAGERE NAYE (Mabasa 22 vs. 12)
Letween Moyo aakanga ari munhu watinofananidza naAnanias, munhu wainamata Mwari
sezvinoreva murairo waMwari, achipupurirwa zvakanaka nevaJudha vose vakanga vagere
naye (Mabasa 22 vs. 12). Kupupura kwedu kana tichiita nyaradzo hakusi kwezinatsawafa,
tinopupura zvatinoziva, nokuti munhu wacho tisu tinenge tichimuziva manamatire aaiita.
Ndiko saka panyaradzo tiine nguva yekusimudza vaiziva munhu iyeye kuti vapupure,
kunyanya-nyanya vanga vari vafudzi vake kuti vapupure manamatire aiita gwai ravaifudza.
Iro Bhaibheri rinoti tererai vatungamiri venyu, sevanhu vanorinda mweya yenyu, kuti vaite
izvozvo vasingaiti nekumanikidzwa (VaHebheru 13 vs. 17). Saka iyemi vapenyu kana
uchinamata ita zvinoita kuti kana wazofa vanhu vakupupurire vasingaiti zinatsawafa.
15. NGUVA YATIRI YEKUGADZIRIRWA DEFE MWARI ANOTSVAGA MAZION
ANOPFAKANYIKA (Ezekieri 16 vs. 6)
Nguva yatiri ino yekugadzirira rwendo rweDefe Mwari anotsvaga maZion anopfakanyika.
Kupfakanyika kuri mukubata, nekunamata. Iye Mwari nevatumwa mazuva akaita seano
vanoburuka vachiona mapfakanyikire edu. Zvakangofanana nezvinoitwa neambulance
team kana paita accident. Chavanotanga kutsvaga vachisvika on the accident scene
ndechekuti ndevapi vachiri kupfakanyika. Chavanotsvagira vanopfakanyika ndechekuti
ndivo vachine sign yekuti vapenyu, saka vanoda kukasira kuwanirwa first aid,
nekumhanyiswa kuchipatara asi asingachapfakanyiki umwe musi atofa, ongoda mapurisa
anouya kuzotora kuendesa kumortuary. Iko kuvaka kwatinofanira kuita maCentres edu
kunotova kupfakanyika. Imwe neimwe Centre inofanira kuita development, ndiko
kupfakanyika kunodiwa naMwari.
16. MAZUVA ANO KUNAMATA NDIKO KWAVA MUFASHION, HAUNGADADI
NEKUDHAKWA MAZUVA ANO ATAVA
Mazuva atiri ano kunamata ndicho chinhu chabata vanhu. Tingasiyana kereke kuti umwe
ari kuno kuZCC, asi umwe ari kwaMwazha kana kwaMarange asi chikuru ndechekuti vanhu
vazhinji vava kuziva kunamata. Haungadadi nebhawa mazuva ano kuti isu tiri vedoro,
zvakatobuda mufashion, kunamata ndiko kwava mufashion saka vose vachiri munyika
huyai tinamate.

8
17. KANA MUKAONA MIVONDE NEMITI YOSE YOTUNGA, MUKAZVIONA MUZIVE
MUMENE KUTI ZVINO ZHEZHA RAVA PEDO (Ruka 21 vs. 29 – 30)
Jesu unoti kana mukaona miti yotunga maruva, zivai mumene kuti zhezha rava pedo. Izvo
anodaro nokuti chinotanga kutunga kwemaruva, kozoberekwa michero. Iyo michero yacho
mizhinji inoibvirana nezvirimwa zvemuminda, saka ukangoona miti yotunga maruva ziva
kuti zhezha rava pedo. Zvino pano paZion kana toenda kuDefe it’s our mating season.
Zvinofanira kutanga kuonekwa pamabatire atinotanga kuita:
(i) Mhiko dzedu (Mapisarema 65 vs. 1),
(ii) mabhazi eUngano,
(iii) zvakatemwa zvikatongwa.
Kana topika mhiko muZion wose ngaapfakanyike, kureva kuti newe pikawo. Chero muri
mumba baba namai, amai musati baba zvavapika mototi zvapera neniwo ipapo, tauriranai
kana muchida kuisa mhiko semhuri iwe samai uwanewo figure rako raunoshereketera
kubata ipapo. Musaita seumwe mukadzi waiti baba vekwake vakabaira iye aingodanidzira
kuti pana baba ipapo, izvo baba vaiva zvavo busy kuchema nhamo yekuwana mukadzi
wepiri.
18. JESU AKASANGANA NEZVIFEVE, MBAVHA, MATSOTSI ASI VOSE AVA HAANA
WAAKAMBOTI WAKASHATA, ASI MUSI WAASANGANA NESIMBE CHETE NDIWO
MUSI WAABUDISA MASHOKO OKUTI IWE WAKASHATA, NOKUTI UNE USIMBE
(Mateo 25 vs. 26)
Jesu during his ministry akasangana nevanhu vakwanda vatingaita regard as bad, asi haana
kumbovati makashata. Akasangana ne:
(i) zvifeve – sechimwe chakatouiwa nacho chichinzi chabatwa chichifeva, asi haana
kumbochiti wakashata (Johane 8 vs. 11)
(ii) zvidhakwa, haana kumboti makashata,
(iii) mbavha nemakororo, haana kumboti makashata.
Mashoko awa akazongomataura musi waasangana nesimbe akati iwe muranda wakaipa,
une usimbe (Mateo 25 vs. 26). Imi makatarisira kuti kuchatanga kutsva varoyi, nemahure,
Jesu akatanga kupisa munhu aipinda Zion asingabati nemhaka yeusimbe. Usimbe
hwakashatira pakuti hunokonzera kushaiwa. Munhu ane usimbe anoshaiwa chero
chekudya, kana kupfeka, kana chekupa vana, worse chekupa Mwari.
19. RWENDO RWEDEFE VIA CHEGUTU HARUDI KUWANA CHINOKUVHIRINGA, CHERO
KUKAVA NECHINONYUKA (CHAKANYUKA) UTI RWEMURANDA RWAGURWA
NERWASHE
Rwendo rweDefe via Chegutu pachiZion chedu rwendo rukuru kwazvo. Chero kukaita
chinonyuka (chakanyuka), namata Mwari kuti akupe simba rekuti usambokonesewa
nechimwe chinhu. Zvinotoda mweya waMwari kuti usimbiswe kusiya:
(i) vaenzi uchienda kuUngano,
9
(ii) rufu uchienda kuUngano.
Asi zvose izvi zviri mumashoko aIshe Jesu okuti hakuna munhu anoti akabata gejo,
akacheuka shure angafanira ushe hwekumusoro (Ruka 9 vs. 62). Idzo Ungano mbiri idzi
dzinoteverana kuti:
(i) Chegutu – pakabhabhatidzwa bambo vedu Samere nomweya mutsvene 1913
paHakireni. Ndipo pagomba ratakacherwa, nedombo ratakatemwa (Isaya 51 vs. 1).
(ii) Defe – ndipo paazondozorora musi wa20 July 1976, akazoonekwa paNyeredzi musi
wa23 July 1976 sezvaanga aporofita kuti kana ndaenda muchaona chiratidzo, kana
mukasachiona dzokerai kwandakakutorai.
Ukaona uchikonewa kuenda paChegutu, manhenda ukava nomweya wekuenda Defe. Saka
mukangoona toenda Chegutu usasara.
20. NHASI (21 MAY 2023) TAUYA KUZOITIRA LIVESTREAM PATEMBERE YEPAMUTARARA
YAKAVAKWA 1951, IKAITA GORE ROSE ICHIRAMBIDZWA KUVHURWA
Tembere yepaMutarara yatauya kuzoitira Livestream nhasi musi wa21 May 2023 itembere
yakavakwa 1951. Yavakwa yakaita gore rose isina kuvhurwa ichirambidzwa naMudzviti
akanga ari paBikita. Gore iroro ra1951 Muranda waMwari watinoona anga achiita grade 1.
Ndipozve pavazovaka chikoro chakaita makore chichingova ne 1 Grade kuchinzi
hatingakupi mvumo yekuita mamwe maGrades vachena vachishora kuti zvaitwa nemunhu
mutema. Ndipo pane office yandatorwa ini Nehemiah nbambo Samere vakandinyoresa
bhuku ramunoona rinonzi Green Book. Sezvinei kubva makore iwawo, nanhasi midhuri iyi
iripo semavakirwe ayakaita kareko, izvo ndiMwari akangoichengeta for history making.
21. KUSAIITA ACKNOWLEDGE ZVAKANAKA ZVAITWA NEMUNHU CHIVI
Kana ukaona uri mukuru usingagoni kuita acknowledge zvakanaka zvinoitwa nevanhu une
zvivi. Kutorega kuita acknowledge ikoko chivi. Basa rimwe nerimwe rakanaka raitwa
nemunhu kana usingarowi learn to acknowledge. Nhasi paSvondo yepaMutarara I want to
acknowledge these people:
(i) Masunda Loffert – mukomana ane motikari yake muHarare asingagozhi kutumwa.
Sometimes anofonerwa midnight chaiyo kuti mhanya kuMbungo achimuka
achimhanya.
(ii) Pande from Masvingo – is a new kid on the block but very active. Imomo muMasvingo
ari kuita mabasa akawanda mamwe aanoita voluntarily.
Chinondirwadza ndechekuti vanhu vakadai hapana anotaura mazita avo, asi kumirira
kutaura zvivi. Kana ari Jesu akati mabasa awa akanaka aitwa nemukadzi wechizoro, kose
kuchaparidzwa evhangeri yangu musazvisiya (Mateo 26 vs. 13).
22. KANA UKAONA MITI YAKAPFUMVUTIRA UNOMBOFUNGAWO HERE KUNAMATA?
Kana ukaona miti nemakwenzi akapfumvutira unofungei? Vechikaranga vanofunga
kusvinuka, n’anga dzinofunga kuchera mishonga, asi isu maZion tinofunga kunamata.
Kupfumvutira kunouya asi kunopfuura. Jesu achitaura zvekupfumvutira kwemiti akati
10
mukaona miti yotunga maruva mobva maziva kuti zhezha rava pedo (Ruka 21 vs. 30).
Kupfumvutira kwemiti paZion tinokufananidza nenguva ino yekupikwa kwemhiko,
maropafadzo anenge otunga semaruva emiti.
23. ZION MUNDA WAMWARI UNORIMWA MAROPAFADZO (Mapisarema 128 vs. 5)
Zion munda waMwari waanorima maropafadzo. Usangouya paZion wogara usingazivi
zvinobikwapo, sevamwe vasikana vanongopfimbiwa nemunhu waasingambobvunzi kuti
munomboita nezvei, votobvuma. Kana wauya paZion bvunza kuti Mwari wazvo Zion
akarivambirei, tokuudza kuti akarivambira kuti vanotambudzika vevanhu vake vawane
pekuvanda (Isaya 14 vs. 32), nokuti ndipo paanobika maropafadzo ari (Mapisarema 128
vs. 5).
24. USATI URI MUTARIRI IWE MUMUSORO MAKO USINGAZIVI MUNHU MUMWE
NEMUMWE (VaKorose 1 vs. 28)
Bhuku inoti uyu Jesu tinomuparidza neuchenjeri hwose, kuti tisvitse munhu mumwe
nemumwe akakwana panaKristu (VaKorose 1 vs. 28). Shoko iroro rekuti umwe neumwe,
ishoko rinoreva kuti kana uri mutariri:
(i) ziva munhu umwe neumwe waunofudza nezita,
(ii) wana nguva yekudzidzisa munhu mumwe nemumwe kwete kugumira pakuparidza
padariro,
(iii) wana nguva yekuraira munhu mumwe nemumwe ari oga.
Variko vanhu vari paZion vasina kana chavakarovedzwa, vasinazve chavari kurovedzwa
zvokuti chero shoko rekusvika pana Kristu takakwana kwavari hariko nokuti havana
mufudzi anodzidzisa one by one.
Kuti ugone kuita izvi unofanira kugara uchichecker vanhu vaunofudza, uchibvunza
mibvunzo mikuru miviri inoti:
(i) Uri kupi – Takatanga kumunzwa naMwari achiti kuna Adam uripiko Adam (Genesis 2
vs. 10)?
(ii) Unofara here – takanzwa uchibvunzwazve naMwari kuna Kaini (Genesis 4 vs. 6).
Musakundwa nevahidheni vasingakonewi shoko rekuti vakasangana vanobvunzana kuti
unofara here? Shoko iri rokuti unofara here ndere chiZion, asi makaritorerwa nevahidheni.
Umwe murume akakumbirwa lift nemunhu aiva neshungu, waakati achingomuburusa
ndiko kubva apinda mudondo kwakuzvisungirira. Asi mistake yaakaita ndeyekukwidza
munhu lift akasabvunza kuti kwakanaka here, kumba kwakafara here izvo munhu uyu anga
azere shungu mumoyo. PaZion Mwari akaisa vatariri vazhinji kubva kumuChumairi,
muDeacon, muVhangeri, Mufundisi, maElders nemaCoordinators izvo aiitira kuti mose
nekuwanda uku muite basa rekutarira zviso zvevanhu kuti zvose zvine mufaro here?

11
25. MUKANGOSANGANA NEVANHU IMI VAFUDZI BVUNZAI KUTI MAKAFARA HERE,
MURUME/MUKADZI WENYU AKAFARA HERE, NEVANA VAKAFARA HERE (2
Madzimambo 4 vs. 26)?
Gehazi akanzi naErisha mhanya undoti kumukadzi uyo unouya:
(i) Makafara here?
(ii) Murume wenyu akafara here?
(iii) Nomwana wakafara here?
Mibvunzo iyi ndiyo inofanira kubvunzwa nemufudzi/mudzidzisi umwe neumwe kuvanhu
vaanofudza. Asi kana muchiita izvi musashamisika mukaona munhu achikuvanzira
kutambudzika kwake, anenge aona chiso chako kuti ndeche tsotsi. Gehazi rakanga riri
tsotsi, ndiye uya atevera fuma kuna Naamani akandonyepa kuti Muranda waMwari vazoti
nditevere mukamure zvimwe zvipo zvamanga mauya nazvo mundipe, Mwari
akamutsamwira akazonamirwa nemaperembudzi ose akanga ari pana Naamani (2
Madzimambo 5 vs. 27).
Saka paakandobvunza mukadzi uyu kuti makafara here mukadzi uyu akati takafara hedu,
asi azosvika pamunhu waMwari Erisha akakwetsura mhere neshungu asi avanzira Gehazi.
Vose vane nhamo Mwari haana kuvanyima meso okuona kuti apa nhamo yangu haidavirwi
naMwari, apa inodavirwa. Kana ukagadzirisa chiso chako, chikaita sechaMwari zvatakaona
panaEsau (Genesis 33 vs. 10b), uye kana ukangogadzirisa ndangariro dzako pamusoro
pemunhu dzikava dzerugare chiso chako automatically chinoshanduka kuita sechaMwari.
Gehazi akatozoita mutsimba kuda kusundidzira mai ava, Erisha akati varege hako, moyo
wavo une shungu. Ndizvo zvakangwarirwa nemamwe matsotsi nanhasi kuti havadi kuitira
vanhu ngoni, havamhorosi vanhu kana kubvunza mufaro, asi vari busy to mislead vanhu
vachidzidzisa dzidziso dzenhema dzokuti munhu waMwari haana nguva yekunzwa nhamo
dzevanhu izvo ndivana Gehazi.
26. KANA MAUNGANA WANAIWO NGUVA YOKUTI SHIRIKADZI DZIMBOENDA PADZO
DZOGA, MAHOME SEEKERS OENDA PAWOVO, VANOCHEMA MBEREKO VOENDAWO
PAVO, VACHINDOSIMBISANA NEKUDZIDZISANA
Kune dzimwe Nyika dzinoti pavanosangana havabvi vasina kumboti:
(i) shirikadzi chimboendaiwo apo penyu moga,
(ii) mahome seekers chimboendai penyu moga,
(iii) vanoda mbereko voendawo pavo voga,
(iv) vamwe voendawo mumapoka akaita sekuti sungano payo, ruwadzano pavo,
masvohwani pavo, Sunday school pavo.
Izvi zvinobatsira kuti vamwe nevamwe vawane nguva yekundosimbisana nokuti nhamo
yavo inenge iri imwe chete. Ikoko ndikozve kwavanopanana dzidziso dziri specific to that
common wing.

12
27. MUPOROFITA WEPAZION AKAPOROFITA MUNHU RAVIRO ANOKUREFER KUNE
UMWE MUDZIDZISI KUTI UNDOITIRWA RAVIRO, ASI CHIMBWAMUPENGO CHINOTI
NDINOITA RAVIRO YACHO NDOMENE
Muporofita wepaZion kana akaporofita munhu raviro anokuita refer to the Elders, kana
kuWellness centre, kana kune umwe mudzidzisi asi chimbwamupengo chinoti chapedza
kuporofita choti rega ndiitezve raviro yacho. Umwe anotoporofita munhu paphone oudza
munhu kuti raviro yacho inoda ini, rega ndigouya, kana kuti huya nemota unditore. Kana
ukaona ukapora nemunhu akadai anoti raviro yaaporofita oti ndinoiita ndomene ziva kuti
ndiye anga akuroya. Muporofita anofanira kuita saJesu aiti akaporesa munhu aiti chienda
kuMuPrista nechipo chako chekuvonga, undozviratidza sezvakarairwa naMoses (Mateo 8
vs. 4). Referring means anorira wacho ane nzira, sezvakarebwa kuti vakaropafadzwa vane
migwagwa inoenda Zion mumoyo mavo (Mapisarema 84 vs. 5). Nhamo ndeyevanhu
vakazodzwa ruviri, kureva vakati vagashira mweya waMwari, Satan ndokuuyawo newacho
chikavazodza. Ava ndivo vakanzi naJesu mukushi akakusha mbeu dzake, vanhu vavete
muvengi ndokuuya akakusha mashawi (Mateo 13 vs. 25).
28. MHIKO DZEGORE RINO TANGAI KUBATIRA SHOKO RANHASI KUMATABHERA ENYU
MUUYE NEMARECEIPTS AS PROOF PAZUVA ROMWEYA PACHEGUTU TO MINIMIZE
CONGESTION
Tinoenda paChegutu kundoita Mhiko launch, asi to minimize congestion mudariro kana
anoziva mhiko yake yaakanga ari gore rapfuura kuti it’s a good paddock ngaagare atanga
kubata shoko ranhasi kuTabhera yake. Izvi tinonyanya kuitira nyaya yecongestion
inozoitika vanhu vachida mareceipts mudariro, saka mudariro tichanyanya kuda vane
fungwa itsva pamapikire nemabatire avakaita gore rapera. Vanhu ava vane mabatire
matsva ndivo vanotya Mwari, nokuti kuita mhare paMhiko it’s a sign yekutya Mwari.
Takazviona panaAbraham aedzewa naMwari kuti ndipe mwanakomana wako sechibairo,
akatenda, Mwari akati ndazoziva kuti Abraham unotya Mwari (Genesis 22 vs. 12).
29. VADZIDZISI KANA MOKUSHA MVURA KUSHAI MUSHA WOSE, NEZVOSE ZVEMUSHA
UYOYO KUREVA FUMA KUSVIKA KUMATANGA NEZVIRUGU, NEMINDA (1 Samueri 25
vs. 6)
Kana vadzidzisi mondokusha mvura mukapinda mumba memunhu kushai:
(i) varidzi vemusha,
(ii) zvinhu zvavo/zvake zvose,
(iii) vana vake vose,
(iv) minda yake yose.
Ndiro shoko ratumwa nhume dzaDavid naro kunaNabari vakanzi kana masvika mutange
kumukwazisa nezita rangu. Mugoti kunaiye ugere pakati pefuma yake:
(i) Rugare ngaruve newe,
(ii) Rugare ngaruve neimba yenyu yose,
13
(iii) Rugare ruve nezvinhu zvenyu zvose zvamunazvo (1 Samueri 25 vs. 6).
Imi maZion nguva ino garai pamusoro pefuma yenyu, nokuti vatumwa pachavo vari
kuburuka kuzoropafadza umwe neumwe agere pamusoro pefuma yake.
30. VEMAPEREMBUDZI VAKATI VANZI ENDAI MUNDOZVIRATIDZA NEMAPEREMBUDZI
ENYU KUVAPRISTA VAKAPORA VACHIRI MUNZIRA (Ruka 17 vs. 12 – 14)
Varume vemaperembudzi vakati vachema nhamo kuna Jesu, iye akavati endai
mundozviratidza kuvaPrista, vachiri munzira vakapora pakarepo (Ruka 17 vs. 14). Shoko
rinoti vakati vachienda, vakapora. Chakavaporesa apa kutenda mukuraira kwanga kwaita
Jesu, nokuti vakatenda kuenda, vakapora. Nhasi kana kukanzi handei Defe, vose
vachasimuka nokutenda manenji munofanira kutanga kumaonera munzira.

14

You might also like