Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 657

CHITSAUKO 01

Muzukuru waVaMusekiwa ainge


akatseyama mugota make
achifunganya zvakasiyana-siyana.
Zita rokuberekwa ainge akatumidzwa
rokuti Mugadza nevabereki vake
vasati vaenda nyikadzimu. Hope
dzainge dzamutaramuka panguva
yemurirakamwe ndokusara
ongobwaira meso kunge imbwa
yadzipwa nebvupa. Pfungwa
dzemukomana uyu dzakange dziri
kure kure kwazvo, apo kunze
kwaitomunonokera kuedza. Nguva
dzakananaira hadzo chiedza
ndokutanga kuoneka nemuchengo
chemba. Achiona izvi Mugadza
akanyemwrera nokuziva kuti nguva
dzaainge akamirira dzainge dzasvika.
Hutonga hwainge hwati piriviri
kumabvezuva kwese, ipapo
mukomana uyu akati dhugu kubuda
mugota make. Akabuda akabata
gangauta, miseve nenhava yaiva izere
mikosi ndokupfigira musuwo wake.
Muchiuno makange makasungirwa
hwandamakwakwa yenduni iyo yaive
nemusoro unenge werusvara
rwuchangobva kuponwa. Mukomana
uyu akati tande akananga nedivi
rekumaodzanyemba uko kwaive
nerimwe remasango emuzinda wavo
rainzi Gwamhara. Kubuda kwakaita
Mugadza mugota haana
waakataurira kuti afungepi sezvo
mbuya vake vainge vachakarara
vachiteerera nyama dzaivarwadza
semunhu akange akwegura.
Mugadza akatora nzira yainzvenga
misha mizhinji yemumuzinda wavo
achiitira kusada kuonekwa naani
zvake angave amuka panguva idzi.
Akakanda nhanho asingade
kutambisa nguva nekuti paive
nemutunhu wakati rebei kuti anobata
panotangira Gwamhara. Zuva
rakazosara robuda atopinda
musango iri semunhu aiziva nzira
dzekugurira. Ava pakati paro sango
akachonjomara ndokutanga
kuombera achidetemba kuvadzimu
vake kuti vamuzarurire gwara awane
kutanga basa raainge afambira.
Achingopedza kudetemba akabva ati
kwanyamu oringa pekutangira kuisa
misungo yake yemikosi yaive izere
munhava. Hazvina kumutorera nguva
kuwana tumakwara twakapfumba.
Izvi zvega zvaitoratidza kuti aya
makwara aifamba mhuka diki
dzakaita semhembwe, tsuro,
maponga nedzimwewo. Mushure
mechinguvana jaya iri rakanga
ratopedzawo kuteya misungo yaro.
Mugadza akambozorora agere
pabwe raive pasi peMurumanyama
achifunganya zvehupenyu hwake.
Chiriporipotyo mukomana uyu
akavhundutswa nechidhambakura
chakamudonhera mumusoro.
Paakanoti cheu kutarisa mudenga
akaridza tsamwa achiona chimwe
chacho chiri mumuti chichigutsurira
musoro. Haana kuzomirapo akabva
atosimuka onhonga zvombo zvake
ndiye tande odzokera kumusha. Asati
atombosvika kure akabva aita
mahwekwe nemhene yaitozvifurira
hayo isingamborota kuti kunze kunei.
Mugadza akangoti chinono
chinengwe bere rakadya richifamba,
ipapo akabva abairira museve wake
pagangauta. Akanomira akavanda
negwenzi ndokuutepfenyura zvine
simba museve uchisvikoti....
Kumuzinda washe Mabharivari
raingova zhowe-zhowe repwere
dzaitamba mitambo yakasiyana-
siyana. Varume vakange vari
mumabasa avo emaoko, madzimai
vachinekairawo muzvoto kugadzira
kudya kwamangwanani. VaMusekiwa
vakanonoka kumuka musi uyu
ndokutozobuda panze zuva ratokwira.
Vakadonzvaira kuenda kuimba yavo
yokubikira vachifungira kuti
vanowana wavo muzukuru avesa
moto. Vakashamisika kuwana sasa
rakasungwa zvavakarisiya riri
manheru ainge adarika. "Asi
Mugadza arwara here kusvika nguva
ino asati amuka? Iye kuti amborimo
mugota imomu here?" Vakadaro
VaMusekiwa vachitaura vega apo
vachisunungura gonhi ravo. Mbuya
yakasundidzira gonhi richiti
bherengende ivo ndiye ngori kupinda
mukati. Vakatanga nekuvesa moto
ndokugadza chirongo pamoto vave
kuda kutangisa kubika havo.
VaMusekiwa vakazodonzvaira
vakananga kugota remuzukuru wavo
Mugadza uko vakawana gonhi
rakasungwa nekunze. Izvi
zvakavaratidza kuti mukati makange
musina munhu, asi hazvina kuvadya
moyo nekuti vaiziva maitiro
emuzukuru wavo. Mukomana uyu
akange asingagari pasi kana pasina
basa rinoda kuitwa pamusha.
Aiwanzoswera kana kumukira
kumatare nevamwe varume
achinodzidza mabasa akasiyana-
siyana. Mbuya vakadzoka havo
mumba yekubikira vopfuurira mberi
nekubika sadza rorukweza
nedakataka kuti vawane kutsigira
nyoka dzemudumbu idzo dzainzwika
kuyaura nayo nzara. Vachipedza
kusvusvura vakanzwa izwi
ravakanyatsoziva richidanidzira
kusvika pamusha. Uyu akange ari
Dzivo shamwari yepedyo yaMugadza
ainge auya kuzomutsa umwe wake
semazuva ose. "Mangwanani mbuya,
ko Mugadza wandashaya mugota
make afumira kupiko rungwanani
rwakadai?" Akabvunza mujaya uyu
mbuya ndokupindura havo vachiti
vange vachitofunga kuti vaviri ava
vari vose sezvo vaiva mukombe
nechirongo. Zvakatombovanetsa
VaMusekiwa kuti muzukuru wavo
ainge aendepi kwaaiva aita fungira
mumoyo rwendo rwembwa. Dzivo
akangoti kanha kupererwa nezvaive
zvaita umwe wake muzuva iri nekuti
misi yose vaibatira pamwechete
chingava chipi nechipi zvacho.
Pauviri hwavo hapana aisanyeurira
umwe wake zviri mudehenya rake.

CHITSAUKO 02
Hushamwari hwavo hwaisava
hwavana chikunya nguwo kwete
vainyatsopindirana semukombe
nechirongo. Dzivo semunhu akange
asina zvekuita zuva iri akabva atoti
regai amirire kudzoka kwaMugadza
achitandara nambuya. Vaviri
vaikurukurirana havo uyu Dzivo
achibvunzisisa zvakasiyana-siyana
zvehupenyu. Mukomana uyu aiva
munhu aidisa chose kuziva
nhoroondo yenyika yavo
zvaisanganisira utongi hwayo,
madzinza nemidzimu. VaMusekiwa
vainge vatomujaira mukomana uyu
kuti ndidzo hurukuro dzaizipira moyo
wake. Munyaya idzodzi mbuya ava
vaizotora kamukana kupangidza
vazukuru vavo hwaro rehupenyu.
Vaviri ava vakazogurisirwa hurukuro
dzavo nekusvika kwainge kwaita
mwanakomana waTogarasei,
Mugadza. Mukomana uyu
paakautepfenyura museve ari muna
Gwamhara, wakasvikoti zete
nepagurokuro remhene iya. Mhuka iyi
yakavhunduka ichisvetuka mudenga
ndiye nyonde pasi nehuma. Panguva
imwecheteyo Mugadza akamhanyira
kunoipaza musoro netsvimbo
chiriporipotyo. Nduni imwechete
yaakarova nayo mhene iyi yakange
yangovawo yechirango nokuti mhuka
yakange yatooma kare kare.
Akanyemwerera mwanakomana
waTogarasei akatarisa nyama
yaakange aponda iyi. Mukomana
akauchira achitenda vadzimu
vekwake pashure ndokunhonga
mhene iya okanda papfudzi. Pasina
kuparadza nguva Mugadza
akarurama mugwara rekumuzinda
achiita zvekukanda nhano. Haana
kuzoda kutevera gwara raakange
abva naro pakutanga semunhu ainge
aremerwa. Akange zvino
opfochokodzeka nemumatondo
achiitira kuchimbidzika kusvika.
Akazonobata muzinda
parudziyakamwe muviri warukutika
nekupunzika munzira yese paaibaiwa
neminzwa. Achingonoti muruvanze
pindikiti mbuya vake vakabva
vaikwetsura mhurururu yemufaro.
Dzivo achiona mumwe wake
akaremerwa akamhanyira
kunomununura nyangwe zvake ainge
asvika pamusha. Mibvunzo yaiva
muhana dzevaviri ava yakabva
yatongopindurika yega vachizvionera
nemeso pachavo.
Maita Shumba,
Maita Mhazi,
Mhondi inopendera pasina gwenzi.
Hekani Mukanyairi,
Maita vakuru vemasango,
Vanovhundutsa vamwe nemukanya
uri muzenze,
Vamadzvovera,
Vabanduri vemapfupa,
Vana meso anozezesa kuringa,
Mukakatira kwasviba,
Vapondi vezvipenyu zvinozvifambira.
Hekani mupwanyanzombe,
Mudya ndichiomba,
Mudzvovakamwe,
Mufa ndichiomba,
Vezvitere zvikwata zvinenge zvizinga
zvouchi,
Kuridza mutsindo pasi pasakara,
Zvaitwa chiurayi,
Jenamuromo dehwe rehosi.
Tatenda vaChamakanda, vaRuminu,
vaZverungu,
Venyika izere mashizha namadu,
Inomera nhemayakanda,
Vamahonyera,
Mhukahuru,
Vatangi vemhuri inemukurumbira,
Jinda Mutasa,
Zvaitwa Tembo yangu yiyi,
Aewa zvaonekwa hweMhazi.
NdiVaMusekiwa ava vakange
vachitenda mwanakomana
wedangwe ravo nekuvaunzira usavi.
Iyi yaiva tsika yavo nguva yese
Mugadza paaipinda mumasango
kunovhima akadzoka adzimba ingava
tsuro kana shiri chaiyo. Izvi zvaiitirwa
kupa manyawi kumuvhimi nevari
nyikadzimu kuti varambe
vakasunungura masango nguva
nenguva inenge yaendwa kunovhima.
Panguva yaidetemba mbuya ava uyu
Dzivo ainge apinda mumba
kunotorera mumwe wake mvura
yokunwa yaakange areva. Nenguva
isipi Mugadza akagashira mukombe
wemvura ndokuuti pamuromo dzi-i
ndokugakaira yose ichinzwika
kudzika pahuro kuti
gatya...gatya..gatya. Akazotura befu
akutura mvura yose ofemera
pamusoro kunge munhu ange
achitandaniswa. "Zvaambuya
vakomana, mungabva matoperera
kutenda iko kamhene kadoko aka
here?" Akabvunza zvake
achinyemwerera Mugadza ndokugara
muberevere remba akazendama
nemadziro. Vakamudavira mbuya
vake vachiti chose chakanaka
mukurarama kwevanhu chinoda
kurumbidzwa. Vaviri ava vaitozivana
pamagariro nemararamiro avo kuti
mbuya vaidisa chose kutenda asi uyu
Mugadza aisazviona sezvine basa
kutendwa. Chinhu chaiita kuti adaro
ndechekuti pakuita kwake mabasa
aya aisaitira kuti agotendwa asi kuti
vararamewo zvakanaka
vasingayemure vamwe. "Nhai
muzukuru ko ukange wakagwambira
ropa pamuviri wako kwakanaka here
kwaunobva uko? Asi warwisana
nezvikara kani," vakadaro
vachiratidza kushamisika
VaMusekiwa vachiona maronda aiva
pamuzukuru wavo. Mugadza
akatsanangurira mbuya vake
chikonzero nei ainge akuvara kudaro
pashure ndokuzogadzikana kwakaita
chembere iyi. Dzivo achinzwa zvose
izvi akazongopedzisira nekuudza
mumwe wake kuti rwendo runotevera
asapinda ega mumasango nokuti
zvaiva nenjodzi. VaMusekiwa
vakaraira Dzivo kuti anotorera
mumwe wake zvokudya zvavainge
vamusiira. Haana kuda kunoparadza
nguva Dzivo akabva anosimudza
tsaiya nehadyana yacho ouya nazvo
panze. Mugadza haanawo kuda
kubvunza zvakawanda semunhu
ainge on'en'enwa nayo akabva
atowira muhari idzi onunura nyoka
dzemudumbu make.
Musha waVaMusekiwa wainge
wakavakirwa mujinga mechikomo.
Waiva wakavakwa namatanda
ndokunamwa nevhu dzvuku.
VaMusekiwa vaiva chirikadzi
zvichitevera kushaikirwa nemurume
wavo makore mashomanana ainge
adarika. Chembere iyi yakange
ichiratidzika kuti pahumhandara
hwayo yaiva tsvarakadenga chaiyo.
Vaiva noushava hwakateramira,
nourefu hwaiva pakati nepakati.
Chimiro chavo chaiva pakati
poukobvu noutete zvaiyemurwa
nevarume vazhinji kwazvo.
Pakushaya kwainge kwaita
mukomana wehumhandara hwavo
mbuya ava vakasara vachigara
nomuzukuru wavo Mugadza.
Mukomana uyu aiva mwana
wemwanakomana waVaMusekiwa
ainzi Togarasei. Muchinda iyeyu
akaita rombo rakaipa ndokutorwa
nerufu panguva imwechete
nemuzimai wake makore
mashomanana ewanano yavo. Rufu
haruna mugoni, Togarasei nemukadzi
wake vakarohwa nemheni
vachisakura mumunda wavo. Rombo
rakanaka nderekupi mwana ainge
akarariswa mugwenzi vaviri
vachikakaritsana naro badza,
ndokupona kwakaita Mugadza.
Vanotaura vaiti pamhuri iyi painge
pashandiswa shaisano sezvo vanhu
ava vaiva hurudza dzamakoko.
Mugadza akazosara achichengetwa
nambuya nasekuru vake kubva
pagore rimwechete kusvika ave
chigondora kudai. Mukomana uyu
aiva rino gomana dema-dema
rakayamwa rikaguta. Aiva nourefu
hwapakati ari mukobvu
zvainyatsoenderana. Mugadza aive
nemakore makumi maviri nematatu
ekuberekwa. Ainge ari mukuru
negore rimwechete kuna Dzivo uyo
aiva shamwari yake kubva vari
zvindumure chaizvo. Dzivo aivawo
hwitakwi yejaya chaiyo ari murefu
kupinda Mugadza. Aiti kana
achifamba wainzwa nemutsindo
wobva waziva kuti ainge akagwinya
chaizvo. Mugadza achipedza
kusvusvura sadza raakange
agadzirirwa nambuya vake akabva
abatsirana naDzivo kuvhiya mhene
iya vachikurukura havo.
Vakatozoswera vave kusasika nyama
mudare raMugadza iro raainge
akasiiwa nasekuru vake. Zuva rotoda
kupinda muna mai varo Dzivo
akazoonekedzana neshamwari yake
oenda kumana kwavo. Semazuva ose
mukomana uyu akarongedzerwa
nyama yekutakura kumba kwavo
pasina kutarisa kuti ndiani ainge
adzimba. Uyu wakange uri ndiwo
muitiro wavo nguva dzose zvichida
ndiMugadza kana Dzivo anenge
adzimba musi wacho. Izvi zvaigara
zvichisunganidza ushamwari hwavo
noutare, vaitoita kunge vana
vanyamunhu pamaitiro avo.
"Remauro sadza unouya wodyira
kuno shamwari mbuya vabika
makuru emhene iyi saka vanotobika
sadza zhinji nerako tigozorikutsirana.
Ndinoziva kuti pamakuru ndipo
paunodanwa uchidaira," akadaro
Mugadza vaviri vachibva varovana
maoko vachiseka havo. Dzivo
naMugadza vakaperekedzana nyaya
dzichitsva hadzo uyu Dzivo akaisa
chinjonjo chake papfudzi.
Mudare rashe Mabharivari mainge
mune jinda guru Chambwe achirova
gusvu. waingonzwa maoko kuti
bu..bu...bu kunge vanhu vanopura
rukweza vachienderana
kamwechete.Changamire
Mabharivari vachinzwa izvi vakaita
manyemwe nerukudzo rwavaipiwa
nejinda ravo. Chambwe akaiparura
nyaya kuna mambo yainge
yaunganidzirwa vanhu. "Pamusoroi
Samanyanga nemakurukota mose,
ndauya nenyaya doko-doko pamberi
pedare renyu. Muchiona ndakamira
noushingi pahuso hwenyu kudai, ini
nemamwe mauto tange tafunga
kuwedzera upfumi hwenyu. Izvi tange
tichida tizviite mumwedzi miviri
inotevera iyo kana muchinge
matibvumira kuzadzisa shuwiro...."
Haana kuzopedzisa kutaura mambo
vamugamha nezwi rairatidza
kusanzwisisa. "Chambwe haikona
kurova imbwa wakaviga mupinyi.
Ingoitumbura nepadumbu irase ura
tose tinzwisise, chaunoda kupoterera
chii?" Mambo vakanga vanonokerwa
kunzwa zvaive muhana yejinda ravo,
naizvozvo Chambwe haana kuzoda
kuti pamutondo pamusasa. Murume
uyu akakosorera zvenhema
achigadzirisa pahuro
ndokutangisazve kutaura.

CHITSAUKO 03
Chambwe akatanga nekukumbira
ruregerero kunaishe nokuziva kuti
vakange vasingade zvekupedzerwa
nguva. Akazonyatsoirova nepanhova
chaipo nyaya yake akatarisana
namambo Mabharivari. "Mhukahuru
kumaodzanyemba kwedu uku
kuzere uchi nemukaka. Izvi
ndichitaura kudai hove dzakarasa
misana kungosvika nekudyorera
chete." Changamire Mabharivari
vachinzwa izvi vakasimuka pachigaro
chavo nemufaro nekuti ndiyo ngoma
yavaifarira kurira kwayo kubva
vachigara pachigaro choushe.
"Unoreva idi here Chambwe, unoziva
nyaya dzerudzi urwu dzinofadza
moyo wangu. Ndicho chikonzero
ndakakuita jinda guru nokuti unoziva
zvandinoda chaizvo. Basa rose
ndakagara ndariisa muzvanza zvako
nekuvimbika kwako pandiri."
Vakapedzisa kutaura mashoko aya
vachigara pasi changamire
nyemwerero ichisvika kugotsi.
Chambwe akamera zenze
nemanyawi aakange apiwa
namambo wake. Akaenderera mberi
achiti nezuva raitevera racho
aizokokorodza mhare dzemauto
dzine chitsama kuti vagoita gadziriro.
Chambwe aida kunopinda nemauto
aya mugwindingwi raCherukato umo
vanenge vachiratidzira unyanzvi
hwavo. Vaya vanenge vadzoka
kumusha vari vapenyu uye
vakagwinya ndivo vaizosarudzwa
kupinda muchikwata chaienda
kunyika yashe Tsindikwa. Nyika iyi
ndiyo yakange yaiswa ziso
naChambwe ndokuona zvakafanira
kuti vanobvuta zviwanikwa zveko
kusanganisira tsvarakadenga.
Changamire vakanzwa kusungunuka
nemashoko ejinda ravo raive
nehushingi nekurevesa mumazwi aro.
Mambo Mabharivari vakange vari
hamburamakaka yerume rakasviba
kuti ndo-o kunge tsubvu. Vaiva
nechipfuva chakapamhamha chaive
chizere nemvere uye maoko ainge
mutswi kukura. Vakange vachiri
kunzwa chaizvo zvekuti varume
vazhinji vaitovatya pakugwinya.
Vakange vane muviri muhombe uyo
wairatidzwa nedumbu guru
ravakange vanaro. Izvi zvoga
zvaingodudzira kuti murume uyu
akange ari pamutambarakede, aidya
nekuwana chiri chii zvacho
chaangada. Pese paanenge ari
murume uyu aigara akapfeka ngundu
yedehwe rengwarati
yakashongedzwa neminhenga yeshiri
hungwe. Chigaro chaMabharivari
chaiva chikuru kupinda zvimwe zvose
mudare umu. Munhu mutsva
kupindamo hazvaimbomunetsa
kuona kuti apa paiva pachigaro
chashe. Kumativi kwechigaro kwaive
nenyanga mbiri dzenzou dzainge
dzakabairwa muvhu dzichivasvikira
mumapendekete kana vagere.
Nechekugotsi pedyo nemuchengo
chedare mainge makanamatidzwa
chivezwa chaiva nemucherechedzo
wemusoro wenzou. Murevo wenzou
iya wainge wakaremberera pachigaro
chamambo zvinova zvaingoburitsa
pachena kuti ava vaiva vana
Matyoramiti vaera Nzou.
Changamire vachitambirana nenyaya
yaChambwe vakange vachitoshuvira
kusimudzira upfumi hwavo. Vaivimba
chose nechirevo chekuti kakara
kununa hudya kamwe. Naizvozvo ivo
pachavo vaitoti kubudirira kwavo
vaifanira kutsikirira mamwe
madzimambo aiva zinyekenyeke.
Jinda ravo guru Chambwe
vaitomuziva kuti patsvarakadenga
ndipo paaidanwa achidavira ndicho
chikonzero aifarira chose basa
rekupamba vamwe iri. Zvisinei
mamwe makurukota ashe
vakazoparadzana voenda kunorovera
matama pasi sezvo nguva dzakange
dzadyana. Chambwe wake mutemo
aitosiya changamire vave kumisasa
yavo iye ozopfuurira kuenda kwake.
Musi uyu mambo vakasiiwa vave
kwavahosi vavo VaMaidei.
"Pachipamwe Samanyanga," ava
ndiVaMaidei vaiswedza murume
wavo. Vaviri vakabvunzana
dzekuswera nekukurukurirana
dzimwewo nyaya havo. Hurungudo
yamambo iyi yaive nemapudzi
mashanu, vasinaka vana nemujaya
mumwechete. VaMaidei vaidikanwa
zvikuru namambo kupinda vamwe
vakadzi vose nekuda kwetsika
nemagariro avo. Changamire
vakange vasingavidze zuva vasina
kupinda muimba yamusikana
wehujaya hwavo uyu nyangwe
zviome sei. Vamwe vakadzi
vaMabharivari vatatu vaigaronyeya
vahosi ava vachiti vakange vane
mupfuwira mukukutu waisaka vadiwe
nemurume zvakadaro. Izvo zvagara
pane chakanaka hapashaikwi
chakaipa.
"Titambire kani Moyondizvo
bvumavaranda vadzimba vokwedu,
bu...bu..bu." Ava ndiVaMarwei mbuya
vaDzivo vaive vamire pabakwa rehuni.
Vakabva vatotsveta zvikuni zvavo
pasi vomhanyira kunogashira nhava
yaiva nemuzuru wavo. "Mbuya
hamuna kumbosiyana nambuya
vaMugadza kana nepaduku pose.
Inga ndinogaro taura misi yose kuti
tendai varikumatenga kwete ini
nokuti vasivo handingambozarukirwa
nemasango." Uku kwaive
kungotaurawo hake Dzivo asi mbuya
havana zuva ravairega kumutenda.
Vaviri vakaswedzana havo pashure
Dzivo akabva atobuda onogeza sezvo
akawana VaMarwei vamudziisira
mvura semazuva ose. Chembere iyi
yakasara ichiuchira ndokusunungura
chinjonjo chainge chauya
nemuzukuru wayo. Mbuya
vakanyemwerera vachibva vatocheka
imwe vokanda muhadyana. Dzivo
haana kuita nguva huru achigeza
akange atopedza muchinguvana
chidoko. Akabuda omhanyira
kunopfigira zvipfuyo nevamwe
vakomana vezera rake. Achibva ikoko
haana kudzoka kumba
mwanakomana wevanhu akati tande
kunanga kwanaMugadza. Akasvika
VaMusekiwa vave kutopedzisa
kubika pashure ndokusvusvura havo
chirariro chaizipira mwoyo.
Vachipedza kudya vakazosara
votandara havo Dzivo naMugadza
ava VaMasekiwa vatonorovera
matama pasi kare. Vakomana ava
vakakurukura dzakasiyana-siyana
kwenguva huru kwazvo.
Vakazopedzisa hurukuro dzavo
nenyaya yekuti vazoperekedzana
kuna Gwamhara nezuva raitevera
racho. Shasha dzakaparadzana
dzondovata hadzo dzichimirira
kuedza kwekunze. Panguva
dzemurirakamwe Dzivo akasvika
pagota paMagudza orova gonhi kuti
varove nhetserwa vakananga kuna
Gwamhara sepakurangana kwavo.
"Kwete shamwari huchiri husiku
tinovhiringwa nezvikara tikafamba
kwakasviba kudai. Rega timbovata
tozobuda pamashambanzou
tofamba zvakanakisa zvisina njodzi."
Anodaro Mugadza achidzoreredza
mumwe wake uyo akange
atogadzirira zverwendo rwavo urwu.
Kana nehope hadzina kuzombobata
pana Dzivo dzamara kwaedza
vonanga kuna Gwamhara.
Vakazobudirwa nezuva vatoti nyengu
kupinda mugwindingwi iri zvombo
zviri mumaoko. Mugadza ndiye
aitungamira ari mberi, Dzivo
mumashure sezvo ainge asingazive
gwara rine misungo yavainge vauya
kuzotarisa. Mimwe misungo
vakangowana yakadero sekuteiwa
kwayainge yaitwa isina kana
nenhunzi zvayo. Mukufamba vakabva
vasangana nematohwe akadunga
zvekurembedza namo. Nenguva isipi
Dzivo ainge atove kumanhengatenga
oturura matohwe achirwerwa rute.
Achiri mumuti muya akanzwa
kuchema kwainge kwebonga
nechekumadokero kwavo.
Mukomana uyu akabvunza mumwe
wake kana ainge anzwawo kuchema
uku. Mugadza akagutsura achibata
zvombo zvake ndokunzwa zvakagara
zvakanaka. Dzivo akazosara oburuka
mumuti Mugadza atova pamusoro
pebwe. Achiri kuringa ringa kutsvaka
mhuka yainge yachema akaona
mwana wembada akabatwa
nemusungo. Asati atombodii
akanzwa mutsindo kunoti cheu
wanike Dzivo arikuuya ari chahwihwi
chaicho. Shure kwake kwakange
kuchitevera mbada iri mugotsi
chaimo. Chiriporipotyo Mugadza
akabairira museve pagangauta
ndokukakata zvine simba.
Akauregedzera uchisvikoti muziso
rechikara ichi zete. Mbada
yakavhunduka zvichibatana
nekurwadziwa pamwe chete.
Yakasvetuka ichinomhara mumusoro
maMugadza uyo ainge akotama
achinhonga pfumo. Zvakaita gumi
rakadya vaviri ndiye bhidhiri dhii seri
kweibwe. Mbada pamusoro Mugadza
pasi uku akarumwa ruoko achiyuwira.
Akanzwa simba richiuya atoona kuti
pake pangamuperera, ndoku
kododzvora mbada muziso rine
museve riya. Mbada yakazhamba asi
Mugadza akatora mukana iwoyo
kuvhomora bakatwa rake
muchiuno.Zvakatora nguva ingaite
kubwaira kweziso Mugadza ainge
atodambura gurokuro rembada ndiye
mukabika sarai mudye.Dzivo
akazosara omuka paainge arovera
musoro padombo mushure
mekugumburwa nechigutsa. Akapota
seri kweibwe meso akawira paive
parere umwe wake mbada iri
pamusoro. Dzivo akavhunduka
nechiitiko ichi achibva angonhonga
pfumo raMugadza kuti abaye mbada.

CHITSAUKO 04
Asati atomborisimudza
mudenga,imwe pfungwa yake
yakamurambira nokuti pfumo raigona
kunodarikira rikanobaya naMugadza
wacho zvekare. Mukomana uyu
akapererwa kuti oita ripi zano chairo.
Akambonhonga chimuti oda kuita
mbada iya yekuzhandura kumusana
kuti iregedze Mugadza. Dzivo akaona
kuti uku kungava kudenha mago
ndokurega ndiye dzokere kupfumo
rake riya. Iye zvino akange azvipira
achiti chauya chauya nokuti akaona
kuti ave kuparadza nguva achitadza
kununura mumwe wake. Muchinda
uyu paakanoti achinobaya mbada iya,
akakangwa mate mukanwa achiona
Mugadza achiisundira padivi iye
achisimuka kunomira pakadaro apo.
Mbada yakawira pasi kunge danda
rapera kudyiwa nemuchenje. Kana
neremuromo Dzivo akarishaya,
akaramba akangoshama kunge
nyana reshiri yaigirwa chokudya.
Akayeva Mugadza achinogara pabwe
oteerera marwadzo emavanga
aainge aiswa nembada iyi. Kumeso
nemuhuro ainge amarwa-marwa sare
ropa rosina semvura yechitubu .
Dzivo akanzwa hasha neshungu
zvichimukurira nemisodzi
yomokoteka nematama. Pava pasipo
Dzivo akazotora gano rake
ndokukwatura makwati emumwe
muti. Akamapunza achirovera
padombo achibva azosvinira mvura
dzawo pamaronda aMugadza kuti
ropa risaramba richisinina. Mushure
mezvi vakomana vakananaidzana
vonanga kumusha. Havana
kuzoenderera mberi nekutarisa
misungo yavo nechimiro chakange
chava naMugadza. Ivo pachavo
vakange vave kutotya
kusanganidzana nezvimwe zvikara.
Chemusi uyu vainge vatenda kuti
masango akange ari matema zvisinei
nekuti havana kutora nguva huru vari
musango umu. Pakubva kwavakaita
panzvimbo iyi, Dzivo akanyatsosiya
abvarura-bvarura handa yembada
yaiva pamusungo iyi. Idzi dzakange
dzavewo hasha dzekutsiva zvainge
zvaitwa Mugadza asi zvaitongova
pachena kuti mhuka iyi hayaimbosara
ichirarama. "Moyo mungabva maita
mwoyo musviba sewenyamafungu
kukobora nechaisingadye kudaro
here." Anodaro Mugadza achiseka
nemumwe wake zvake maringe
nezvainge zvaitwa naDzivo.
Akaenderera mberi Mugadza achiti
midzimu yainge yavafuratira uye
sango ravaiva iri rainge rakaminama.
Vakomana vaviri ava vakatekaira
vakananga kumuzinda vachingova
maoko chete. Zvombo zvose
zvakaenda zvakatakurwa naDzivo
kuitira kuti Mugadza arerukirwe
pakufamba sezvo ainge aramba
kuberekwa achiti aisava mutenda.
Rwendo rwekumuzinda urwu
rwakavarebera sevanhu vakange
vachifamba vachizorora. Imwezve
nyaya yaiva yekuti vainge vatora nzira
inopoterera vachitya kuti
vangangosangana nezvikara mune
dzekugurira idzi. Vakazonobata
muzinda zuva ratogara miti, ipapo
vakange vobvunzwa mitupo nenzara.
Mugadza akasvikopinda mugota rake
ndokutseyama nemadziro. Dzivo
akangosiya zvombo onanga mumba
yekubukira kuno tsvaga chingatsigira
ura. Semazuva ose akawana mbuya
vakaisa hadyana ine chanhopi
nembeva dzainge dzakasasikwa
pamapfihwa. Akatora mbeva
nhanhatu, kasadza kemhunga
nehadyana ndiye dhugu akananga
kugota. Nenguva isipi akadzoka
ndokutora chirongo nemukombe kuti
vashambe maoko. Vachipedza
kusvusvura Dzivo akaenda kumba
kunooneka ambuya vake kuti
aizonorara vachitandara neumwe
wake. VaMarwei havana kupikisana
nemuzukuru wavo nokuti izvi
zvaisava zvitsva kwavari. Waitova
mugariro wevakomana ava misi
nenguva kuti mumwe musi vairara
vose kwana Dzivo mumwe musiwo
kwana Mugadza. Semazuva ose
Dzivo akasiya apfigira zvipfuyo
ndokunoita zvimwechetezvo kwana
Mugadza achibatsira mumwe vake.
Kubva mangwanani ezuva iri
VaMusekiwa vakange vasina
kumbobvira vaonana nemuzukuru
wavo. Pakudzoka kwaakaita kubva
kuna Gwamhara vakange vasipo
pamusha. Vakatozoshamisika kuona
Dzivo achipfiga zvipfuyo zvavo zuva
ratopinda muna mai varo. Waswera
sei muzukuru, ko mumwe wako aripi
wandisina kuona pano pamusha
nhasi?" Ndimbuya vaMugadza ava
vainge vakatarisana naDzivo moyo
uchipfungaira kuti muzukuru wavo
aivepi panguva iyi. Dzivo
akaswedzana naVaMusekiwa
ndokuvataurira kuti Mugadza ainge
avete zvake mugota make achizorora.
Mbuya vakada kuziva kuti kwainge
kwakanaka here Mugadza
kuzvipfigira mumba panguva iyi
nokuti vaimuziva asina tsika
yakadaro. Dzivo nekusada kuti mbuya
vashungurudzike akachimbidza
kufunga ovabata kumeso. Akataurira
mbuya vaMugadza kuti muzukuru
wavo ainge atsika feso mumasango
mavainge vaenda naizvozvo ainge
achikamhina negumbo. Akaenderera
mberi achiti sevanhu vainge vafamba
mutunhu wakareba vainge vaona
zvakakodzera kuti Mugadza
ambozorora. Nyangwe zvake Dzivo
akaruka nhema idzi, VaMusekiwa
havana kunyatsogutsikana vakabva
vatoti vainozvionera vega pamhuno
sefodya. Moyo wekubereka wakange
wavabata kuti wavo muzukuru ainge
achiyuwira nemarwadzo efeso
ravainyatsoziva mabairo aro.
Vakadungamidzana mbuya naDzivo
voenda kugota kwaMugadza, uyu
Dzivo hana yakange yave mumaoko.
Ainge zvino otya kuti akabatwa
manyepo ake mbuya vaisazofadzwa
naye zvachose. Mugadza
zvaakanzwa mazwi nemitsindo
zvichiuya kugota kwake akabva
atobuda panze. "Maswera zvakanaka
here mbuya," anodaro Mugadza kuna
mbuya vake achida kuti vasasvika
pedyo naye. Pachinhambo
chekuswedzana nemuzukuru wavo
VaMusekiwa vakangobvunza kuti
gumbo raainge abaiwa raiva sei.
Vasati vatombopindurwa Dzivo
akabva atovaudza kuti mukomana
ainge ave kutonaya semunhu ainge
okwanisa kutsika zvakanaka. Iye
Mugadza akachimbidza kutsinhirawo
mumwe wake achiti mangwana
chaiye vaitova nerwendo zvekare.
"Bva zvakanaka zorora hako kana
moyo wangu warerukirwawo. Musi
uyu vakomana havana kudzikotsira
Mugadza achiyaura nemarwadzo.
Musoro divi reruboshwe ndiro
raimunyanya zvichibvira kumarwa
kwaainge aitwa pedyo-pedyo neziso.
Vakaedzerwa vachidya nyaya kuti
Mugadza amborerukirwawo
pamarwadzo. Chifume
chamangwana runyanhiriri, Dzivo
anotora zvombo zvake ndiye gonhi
bheu hoyo dhugu.
Zvisinei nekunyeewa kwavaiitwa
VaMaidei havana kudzora tsvimbo
pamadiro avaiita murume wavo.
Vainge vakarairwa nemadzitete avo
kuti munhu wenyama unototaurwa
nevanhu chero ukanatsa kana
kutadza zvinengei. Naizvozvo
haufaniri kutevedzera mashoko
evanhu nokuti anokuparadza ukasiya
nzira dzako dzehunaku. Zvizhinji
zvaitaurwa nevakadzinyina vavo
zvaisvika munzeve dzavo asi ivo
vasingaite hany'a nazvo. Vaitodisa
chose vamwe vakadzi vamambo ava
vachiita sekunge pasina chaipinda
munzeve dzavo. Manheru ezuva iri
VaMaidei vakatokurukura nemurume
wavo maringe nezvemwanakomana
wavo uyo ainge ave pedyo kubuda
mugota. Vaida kumuitira mutambo
mukuru kwazvo kana atambirwa
padare. Mutambo uyu unenge uri
wekukwezva vanasikana vazhinji
pamuzinda kuitira kuti jaya ravo
rigonyatsoita sarudzo zvakanakisa.
Zuva raitevera racho mumuzinda
vanhu vaingonekaira nemabasa avo
akasiyana-siyana. Vakadzi vachipota
neravowo divi varume nekoko
kugadzira budiriro yenduramo dzavo.
Chambwe naZengu vakafumira
padare vachironga mafambisiro
avaida kuita sarudzo dzemauto
avaienda nawo kunyika yaTsindikwa.
Zengu akange ari mutevedzeri
waChambwe pamachinda ashe
Mabharivari. Vaviri ava vainzwana
chose, vakange vasingaitirane godo
pamabasa avo avaiitira mambo wavo.
Muchidimbu tingangoti varume ava
vainge vakabatana sechibhakera.
Muhurukuro yavo vakawirirana kuti
makundano ekupinda muchikwata
chehondo ichi aizoitwa mushure
memazuva matatu aitevera.
Vachipedza hurukuro dzavo vana
Chambwe vakabva vabuda mudare
voenda kunofambisa shoko
rekukokorodza mauto enyika iyi.
Varume ava vakapesana naBudzi
mwanakomana waMabharivari
pamukova wedare achipindawo
mukati. Mukomana uyu akange
akafana baba vake pazvose kubva
paruvara, chimiro nechiso chake.
Waiti ukavaona vari vose
hawaimbobvunza kuti Budzi aiva
mwana waani. Mambo vainge
vabarirwa musara paushe
mumwechete, pamadzimai avo ari
mashanu. Naizvozvo ishe vaidisa
chose zai regondo iri zvekuti vaisada
kuona kana kunzwa chakaipa
chinoitika paari. Budzi uyu akange
ave nemakore gumi
nemapfumbamwe ekuberekwa. Izvi
zvaidura kuti akange atova
chigondora chaifanira kubatisisa
mirairo yevakuru. Muchinda uyu
achipedza kuswedzana nababa vake
vakabva vatanga kumuraira
zveupenyu kuti agokura achiziva
zvinoda upenyu. "Mwanangu uchiona
ndigere newe kudai mazuva ari
kudyana, handizive ndinodanwa riini
nemadzibaba angu agere nyikadzimu
nemadzitateguru edu. Ndinoda
uteererese nekuti zvinonzi nevakuru
akuruma nzeve ndewako. Hunzi
nevamwe kandiro kanoenda kunobva
kamwe, asi kana hupenyu
hwamandorokwati tambanudza
ruoko. Usatarise kuti kwaenda
kandiro kangu hakana kudzoka nei.
Yako nguva yekugara pachigaro ichiri
kuuya. Zvino kana wachigara wopeta
muswe kuti vari pasi vagokutya,
usamise zenze kuti ugotyiwa kwete.
Munhu wemurume chengeta
tsindidzo kureva kuti unofanirwa kuve
nehana yakasimba isingavhunduke
chati kwatara. Unofanira kuziva
muzinda wako nevanhu
vauchatungamira kuti vanodei uye
vanovengei mukurarama kwavo.
Ukangodaro uchaona kuti
unowadzana nevanhu zvakanakisisa.
Zvichakadaro sakunatsa ndiye
sakubaiwa upangwarire ipapo.
Kuzvigona zvose izvi mwanangu
unofanira kutsvaga svovi
yamandorokwati inomira newe
pazvinoshata nepazvinonaka. Uyu
mukadzi ngaave mupangi wamazano
muraramo yako asave munhu asina
hanya. Chigaro chaunoona ichi
hachidi humbwende ukangodaro
unojairwa nevanhu vose." Ndimambo
Mabharivari ava vakange vachipanga
jaya ravo mazano ehupenyu. Budzi
akanzwa manyawi pamwe
nekuzvitutumadza. Akange ave
kutozviona ave nengundu yehushe
mumusoro make achityiwa nevanhu
vose zvavo munyika yavo iyi.
"Zvakanakai Mhukahuru mashoko
anzwika ndatenda chai.....!" Haana
kuzopedzisa mashoko ake Budzi
akagurisirwa panzira nekuhotsira
kwakaitwa pasuwo redare. Vakange
vari sekuru Nhekairo vaipinda mudare
vakabereka nhava yavo netsvimbo
huru muruoko rwerudyi
vachidonzvaira. Mambo vanoratidza
kuvhunduka nekuona n'anga huru
yemuzinda wavo iyo yakapedzisira
kutsika pamuzinda zuva ravagadzwa
ushe. Makore ainge apindana chose
pamukweguru uyu. VaNhekairo yaiva
n'anga yaisaonekwa zvenhando kana
naani zvake. Mutana uyu aiwanzoti
kana vematenga vataura naye
nezvenyika yavo aiita zvekuratidza
imwe n'anga yaive pedyo nemuzinda
kuti isvitse mashoko. Yaiti kana
yasvika nguva yezvekushopera
hakuna kana jaya raigona
kumisidzana nasekuru Nhekairo,
vainzwana chose nevenyikadzimu.
Makona avo akange asingarevi
zvenhando sezvo basa iri rakange
risiri rekubatira padenga, raiva
rekubarwa narwo. Budzi
akashamiswa kuona harahwa iyi
ichisvikopfunya chisero pamberi
pababa vake. Muhupenyu hwake
akange asina kubvira aonana nechiso
ichi. Mabharivari nemwanakomana
wake vakashaya kana neremuromo.
Chiriporipotyo Nhekairo akahotsira
rutatu pashure ndokutara
denderedzwa muvhu netsvimbo yake.
Akatara zvekare mumwe mutsetse
uchitsemura denderedzwa riya
nepakati, ndokudzungudza musoro.
"Ukarumwa nechekuchera hauna
anokuchema nokuti anenge ari
mazvokuda mavanga enyora.
Ngwarira avo vakakukomberedza
vanokupinza muna taisireva."
Vanodaro sekuru Nhekairo vachibva
vati kwanyanu kusimuka ndivo dhugu
hevo tande negwara rainanga
kugomo Gwindingwi. Mambo
vakasara vakangoti kanha nazvo
vachizvishaya shumo yazvo.
Vakazongotura befu pava pasipo
ndokucheukira kumwanakomana
wavo vave kuda kutaura.

CHITSAUKO 05
Vasati vatomboshama wavo
muromo vakange vatotangirwa
naBudzi uyo ainge atovanaya
nemibvunzo. Mwanakomana uyu aida
kuziva kuti murume akange abuda
mudare uyu aiva ani, achigarepi uye
mashoko ake aya airevei chaizvo.
Changamire havana kuda kuvanzira
nevanji wavo vakamuudza zita
nebasa raNhekairo chairo. Chinhu
chavasina kugona kutsanangurira
mwanakomana wavo idudziro
yemashoko ake. Vakaenderera mberi
mambo vachiti mwana wavo uyu
aifanira kungwarira vanhu vakaita
saNhekairo uyo kana achinge
azogara paumambo.
Vakamurondedzerera kuti zvakange
zvaitika apa izvi ndicho chezvimwe
zvimhingamupinyi zvinosanganikwa
nazvo muutongi. Budzi akagutsura
musoro kuratidza kunzwisisa kwazvo,
ipapo mumoyo make ainge asisaoni
Nhekairo sechiro mberi kwake.
Akazoparadzana nababa vake nguva
dzadyana chaizvo mushure
mehurukuro yakadzika-dzika.
Changamire Mabharivari vakasara
nemamwe machinda avo ainge auya
kudare sezvo nguva dzakange
dzafamba chaizvo. Muchinguvana
chipfupi Chambwe naZengu
vakasvikawo padare vachipira ishe
mamiriro ainge aita hurongwa hwavo.
Musi warwisana Mugadza nembada
mugwindingwi Gwamhara, vakange
vachionekwa nemumwe muchinda
wainzi Tsvoti. Kubva vakomana vaviri
ava vachipinda musango iri nechiitiko
chembada ichi zvose zvakange zviri
mumeso emurume uyu. Dzivo
naMugadza havana kana kumbobvira
vanyumwira kana kuona Tsvoti kubva
zvavakapinda musango umu. Tsvoti
wakange ari mbwende yemakoko
zvaitozivikanwa nemunhu wese
munyika yavo umu. Vanhu vaitoti
vakamuona akabata kana shiri zvayo
waitonzwa vachiti aona yakafa kana
kuti yatorwa pamuteyo. Iyo nhomba
pachayo pakange pari pamusha wayo
zvisinei nekuti akange asingagoni
zvekuvhima izvi. Haana mhuka yaaiti
yaisadyiwa, chake aingoti dumbu
harirambe chatambirwa nehuro. Musi
uyu ainge apindawo muna Gwamhara
kunomema misungo yavamwe
inenge yadzimba agosvotora mhuka
oenda nayo kwake. Iye pachake
aisatomboziva kuti mambure
anoteewa sei. Tsvoti aiva karume
katete-tete zvekuti ukamuona waiti
zvimwe angapeperetswa nemhepo
yaNyamavhuvhu. Aiva akasviba kuti
ndo-o
aine meso makuru akachena kuti
mbu-u. Tsvoti zvaakanzwa mazwi
ana Dzivo, akapinda mugwenzi
ndokuvanda kuti asaonekwa. Izvi
aiitira kuti kana pakazonzi pane
mambure abiwa nyama iye
haaizonenerwa achinzi
amboonekwako. Murume uyu
akatora nguva huru asati abuda
mugwenzi dzamara agutsikana kuti
zvedi vana Mugadza vainge vaenda
uye kuti mbada yainge yafa
zvechokwadi. Akaringa mativi ose
ndokuona kusina kana munhu ndiye
nyahwa nyahwa nemumakwenzi
akananga kwaive nembada iya
yakangoti gunduru. Pakunyahwaira
kwaiita murume uyu akasvika
paakanotsika chimuti asina kuziva
chichibva chatyoka zvine ruzha.
Tsvoti akadaukira kwakadaro uko
achiridza mhere. Mupfungwa dzake
akange atonzwa sekunge ainge
anyangirwa nechikara. Dai pane
munhu akaona chiitiko ichi
aivhunhika mbabvu nekuseka
mashura akadai. Pakusvetuka
kwaakaita akanoti mugwenzi pfocho
achivhundutsa tsuro yainge ivetemo.
Kedu magen'a kakavhundukawo
ndokusimukawo zvine simba
kachitiza nehwako hupenyu. VaTsvoti
vedu vachinzwa ruzha rwetsuro
vakabva vatoti nhasi pangu
pandiperera. Chiriporipotyo mvura
yakange yoerera nemakumbo
murume ari mugwenzi imomo.
Akazonyatsonzwisisa kuti ainge
avhunduka magaba semhembwe.
Akazvishora Tsvoti ndokusimuka
hake oenda paiva nembanda iya.
Pasina kuparadza nguva murume uyu
akatanga kuvhiya mhuka iyi
achitorwera rute. Semunhu ainge
asina simba zhinji pfungwa yake
yakamhanyira kuchiropa neimwewo
nyama shomanana yemakumbo
ekumashure. Nenguva isipi ainge
atopedza zvose zvaaida ndokusunga
nhava yake oenda kumusha. Dehwe
haana kusiya akatakura atova
nechidokwa-dokwa chekunotendwa
kumuzinda nejinda guru ramambo.
Akasvika kumba kwake Tsvoti
nekusiya usavi hwake ndiye kweda
munzira akananga kwaChambwe
nedehwe riya. Akaita rombo rakanaka
kuwana Chambwe agere pabvute
achiveza mupinyi wechimwango
chake. "Tisvikewo pano
Mwendamberi," anodaro Tsvoti atova
muruvanze nechekare. Chambwe
akadavidza mueni wake kuti asvike
hake zvakanaka. Mushure
mekubvunzana mutonhoro Chambwe
akazobvunza Tsvoti kuti kwainge
kwakanaka here kushanya panguva
dzakadai. Mubvunzo uyu hauna
kushamisa nyangwe naTsvoti wacho
nokuti iye aisatsika pamusha
waChambwe zvenhando. Tsvoti
akarondedzera nyaya yake pamwe
nekugashidza Chambwe dehwe riya.
Jinda iri rakashamisika zvikuru kuti
Tsvoti chaiye angasvika pakuuraya
mbada. Chambwe achiri
mukushamisika kudaro Tsvoti
anobva atotanga kurudunura nhema
dzake. "Inzwaka Chambwe,
ndafumira kuna Gwamhara uko
mangwanani anhasi kunoringa
madhibhura angu. Zvino ndiri
mukumema misungo yangu
ndopandaita mahweke nembada
yakaruma mhembwe padhibhura.
Neshungu handina kuda kuishandisa
miseve, ndaisvetukira ndichinoiti
muswe dzvi-i ndiyo vhundu ichisiya
mhembwe iya yoda kuti sika sika neni.
Payanga yoda kuti indiwisire pasi
ipapo midzimu yayo ndipo
payadambura mbereko.
Ndangowetsa bakatwa rangu
ndokuinanga gurokuro ichibva yawira
muvhu yotangaa kumara pasi
ichin'en'ena meno. Handina kuzoda
kutambisa mukana ndabva
ndangoipedzisa nepfumo
kamwechete." Chambwe achinzwa
nhoroondo yaTsvoti iyi akafinyamisa
chiso achigadzika dehwe riya pasi.
Panguva imwecheteyo akanhonga
mbezo yake nerudyi akatuzura meso
kuna Tsvoti uyo ainge ongobvunda
serutsanga ruri mumvura. Tsvoti
ainge atozviona kuti ainge ashatirisa
Chambwe nenhema dzake. Chambwe
akange asingade chinhu chinonzi
kubatwa kumeso zviri pachena
zvakadaro muhupenyu hwake.
"Usade kutamba nepfungwa dzangu
ndinokuremadza wakura kudai
wanzwa." Anodaro Chambwe
achibvunda nehasha. Tsvoti achiona
izvi akabva agwadama pasi otanga
kukumbira ruregerero.
"Nda...nda...nda," akandandama
murume mukuru nekuda kwekutya
kuti ainge abatwa manyepo ake.
Akavhundutsirwa achinzi akasataura
chokwadi aizogurwa mutsipa
nembezo. Nekutya kufa Tsvoti
akarudunura zvese zvainge zvaitika
muna Gwamhara dzamara azosvika
nedehwe iri. Chambwe akaoma
mbabvu nekuseka Tsvoti uyo ainge
achingogwagwadza. Akazopedzisira
nekumuyambira kuti adzidze kugara
ari pachokwadi asiyane nemanyepo
aya. Mumuzinda washe Mabharivari
maiva nemutemo wekuti munhu
anenge auraya mhuka dzaishandiswa
matehwe adzo pazvishongo
zveumambo kana zvechiuto aipiwa
mubairo. Matehwe aya aisvikira
mumaoko ejinda ravo guru
rozopfuudzira kunaishe. Izvi zvaitirwa
kuti vanhu vose vasajaira nekusvika
pedyo namambo. Tsvoti ainge
akatotarisirawo mubairo wake
pakuuya kwaakaita nedehwe iri.
"Ungachienda hako Tsvoti waita basa
guru chaizvo ugozouya uchitora
nhongo yako manheru pano pamba
pangu. Iye zvino ndinoda kukupa
basa rekugara wakaisa ziso rako
pavakomana vaviri vawataura ava. Ita
ongororo yakasimba uzive kuti
vanoswera vachiita nezvei muno
mumuzinda wedu. Ukagona basa iri
ndinokupa mubairo wakakura kwazvo
uchakufadza." Tsvoti aingo gutsura
musoro pamwe nekunyemwerera
ipapo vanobva vaparadza Chambwe
ave kutonanga kudare. Chambwe
haana kuzoda kusvika nedehwe iri
kudare, akapfuura achirisiya kune
harahwa yaigadzira zvishongo
zvehondo sezvo ririro raishandiswa
nemauto. Murume uyu akasvika
kudare ndokuwana ishe vari kure
chaizvo nendangariro. Chambwe
akabvunza mambo kuti chii chakange
chichivadya pfungwa zvakadaro.
Changamire Mabharivari vakaratidza
kuvhunduka nekutaura kwejinda ravo
iro vaisatarisira kuriona panguva idzi.
Mambo havana kuda kurova imbwa
vakaviga mupinyu, vakapira mashoko
aNhekairo kujinda ravo. Vaviri
vakange vave nemubvunzo
mumwechete vese mumoyo mavo
wekuti zvaizofambiswa sei
nemamiriro akadai aya. Chambwe
ndiye akatanga kutaura apo aipa
changamire vake manyawi achiti
mhukahuru, vanofamba zvisina
mutsindo. Panguva imwecheteyo
akange achiuchira Chambwe, mambo
ndokugutsura musoro
vachinyemwerera havo.
"Hatingadzoserwi kumashure nekuda
kwen'anga inoda kubata basa risiri
rayo ichisiya zvekushopera
kuvadzimu kuti vatipe gwara
rakajeka." Mambo vakadaro kujinda
ravo iro rakatsigirawo pfungwa iyi.

Dzivo anotora zvombo zvake ndiye


gonhi bheu hoyo dhugu akananga
muchisango chaiva kumavirira. Ane
mishonga yekuomesa maronda
yaakange anotsvagira Mugadza kuti
achimbidzike anaya. Zvemishonga
izvi Dzivo ainge akazvidzidza kuna
sekuru vake avo vaiva godobori
wamandiriri. Mukomana uyu aipota
achiti sekuru vake pavaibuda
nekapadza aiteverawo achinoona. Ari
musango muya hazvina
kumbomutorera nguva kuti awane
zvaaida. Chiriporipotyo mukomana
akawira munzira yekumuzinda. Ari
munzira akaita mhanza
kusanganidzana netsuro. Nenguva
ingaita kubwaira kweziso, Dzivo
akazvozvora nduni yake
ndokuiregedzera ichinovhuna
makumbo ose ekumashure. Dzivo
akanhonga nyama yake
ndokumhanyira kumba kwaiva
naMugadza. Zuva rakazosara robuda
atovesa moto nekugadzira mishonga
yekurapa umwe wake. Achimirira
kumuka kwemumwe wake, Dzivo
akafano bvura tsuro yake
zvakanakisisa ndokuisasika pachoto.
Mugadza semunhu ainge
achidzimbwa nemuviri akanonoka
kumuka ndokutozouya padare
kwadziya. VaMusekiwa pavakamuka
vachiona vazukuru vavo vari padare
vakanyemwerera zvavo ipapo moyo
wavo wainge wagadzikana. Pfungwa
dzaitoti Mugadza ainge asimba
vachimuona achiita nyaya nekuseka.
Kana zverwendo rwainge
rwambotaurwa naDzivo zuro wacho
hazvina kana kutozombofungwa
chembere izere nemufaro. "Nhasi
waita zvenhengure chaizvo kufumira
kumuka isu vana gondo tine mhumhu
mukuru tichakarara." Anodaro
Mugadza achiita je-e neshamwari
yake, vose vachibva vati bvu-u kuseka.
Dzivo akazomutsana neshamwari
yake ave kutokurunga chikari chaiva
nemishonga yaainge agadzira iya.
"Iwe Mugadzaneuta unorovera
matama pasi here kana uri mutano."
Dzivo akavhundutsa shamwari yake
iyi nezita raakange adeedza iri. Asati
atomboti bufu Mugadza akabva
atemwa nawo mubvunzo kuti
zvakange zvambodii kubva
avhunduka nezita zvaro.

CHITSAUKO 06
Dzivo akaenderera mberi achiti iye
anoziva shumba dzisingavhundutswe
nemakwenzi. Zvino Mugadza aiva
shumba yorudzii kubva avhunduka
nekudanwa zita. Mukomana uyu
aisekerera akatarisana neumwe wake
ndokuona kuti zvedi ainge
akaremerwa. "Rega kutya shamwari,
unoziva kubva tichitanga kutamba
tese handisati ndakamboona museve
wako unoenda nemhepo. Izvi ndizvo
saka ndakudana nerekuti
Mugadzaneuta kubva paunyanzvi
hwako hwekuzvarwa nawo kwete
hwekudzidzira." Anodaro Dzivo
achisandura mudzonga wenyama
yaaigocha pamoto. Iye Mugadza
akashaya kana neremuromo
ndokuramba akangoti kanha nazvo.
VaMusekiwa ndivo
vakatombonyevenutsa moyo wake
apo vakadanidzira kuti Dzivo auye
kuzotora pfuko yemahewu vawane
kunwa vachitandara havo. Nyangwe
zvazvo aiziva kuti nyaya iyi
hayaizodzoka mudariro zvekare asi
pfungwa dzake dzakaramba
dzopishana. "Zvisinei Dzivo
ishamwari yangu achanditaurira hake
kwaakawana zita iri nekufamba
kwenguva." Mugadza akataura
nechemumoyo mashoko aya apo
achigashidzwa mukombe wemahewu.
Vaviri ava havana
kwavakazomboenda musi uyu
vakaswera vachitandara havo padare.
Uyu Mugadza akange otonzwa zviri
nani pamarwadzo emaronda ake.
Mishonga yaakange agadzirirwa
naDzivo yainyatsomubatsira
zvaakatenda kana iye pachake.
Mushure memazuva mana Mugadza
ainge anyatsosimba kwangosarira
maronda mashomanana kuti aome
mukati kati chaimo. Pamazuva iwawa
vakomana vaviri ava havana kuda
kugarira maoko nokuda kweurwere
kwete. Pakukura kwavo vaigara
vachiudzwa nevakuru vavo kuti
munhurume haafaniri kuita
chipotanemadziro nyangwe zvooma
sei. Apa vainge vakapabatisisa
chaizvo zvekuti nguva yavo zhinji
vaiipedzera mumabasa akasiyana-
siyana, kusada kugarira maoko
nekuda kweronda. Rimwe remazuva
Mugadza akanzwa moyo wake
uchimukwezvera kumbonotsvaka
usavi. Kubva musi
waakasanganidzana nembada uya
haana kuzombobvira adzokera
kunovhima zvekare. Mazuva ainge
atowanda mukomana asina
kushandisa zvombo zvake, naizvozvo
akabva arangana naDzivo kuti
vambonovhima. Dzivo akawirirana
nepfungwa iyi asi akazopokana
pakuti vaende kuna Gwamhara. Izvi
zvaisava nechikonzero chekuti aitya
kuzonosangana nembada kwete.
Muchinda uyu aiziva pachake kuti
kunzi hombarume hazvirevi kugara
munhu pfumo riri mumaoko. Aidisa
chose kuti vambopindawo mune
zvimwe zvakasiyana nemiseve
nemapfumo izvi. Pfungwa dzake
dzaiva pakunoredza hove kana
kunoteya mbeva nemariva. Mugadza
akaseka mumwe wake achimuti
hakuna murume angapedzera nguva
yake mukuteya mbeva bodo. Yekuuya
nenhava izere mbeva iye munhu
ainge ajaira kuuya akasenga
mhembwe, mhara kana njiri papfudzi
kumba akaona ichimunyadza
kuvanhu. Zvino Dzivo achitaura
pfungwa yekunoteya mariva iyi aida
kuti vajairane nezvizhinji muraramo.
Izvi zvainge zvakanakira kuti
rimwewo divi rikaramba vopindawo
mune rimwe kuti hupenyu hurege
kuoma. Vaviri ava vakaita gakava
kwechinguva dzamara
Mugadzaneuta azokundikana
obvumirana kunoita zvemariva. Dai
kwakanga kusiri kuti vakomana ava
vainzwana chaizvo Mugadzaneuta
haaimbobvuma kuenda kumbeva
saizvozvi. Vakomana ava vakasiya
vagadzira mhoshongera kuitira kuti
zvigovarerukira kana vachinge
vadzoka kunogadzira twumikosi
twekushandisa pabasa ravo iri.
Hazvina kuvatorera nguva varume
ava zvinhu zvavo zvainge zvatova
mugwara. Mushure mokupedza
vakomana vakati kwanyamu ndiye
dhugu mudare vakananga nedivi
rekumatanga. Hapana akatakura
zvombo sezvo vaienda pedyo
nemisha. Munguva shomanana
vainge vatova mukasango kari seri
kwematanga. Dzivo akasvetukira bazi
reMutondo ndiye kata-kata, demo
akazokandirwa atogara padavi.
Akatema mabukirwa achikanda pasi
uyuwo Mugadzauta achisvuura ari
pasi. Vakomana ava vaisafunga
chinhu chimwechete panguva iyoyo.
Naizvozvo vakapedzisira vasvuura
makavi mazhinji ekusunga zvirugwi
zvembudzi pamwechete nembariro
dzacho. Vakadzokera kumba
ndokusvikira pakusunga
mhoshongera nechimbi chimbi kuti
vakasire kunoteya. Nenguva isipi
zvinhu zvakange zvaringana
vakomana ndokudungamidzana
vakananga kumakura. Vakatakura
zvimhedu zviviri zverimwe gate
rainge rakatsemuka nepakati.
Hazvina kutora nguva huru vakomana
vakange vatova panzvimbo votangisa
basa ravo. Vakatanga nekuchera
nebadza pamwezha pairatidza kuti
paifamba nembeva zhinji ndokuisa
rimwe gambe regate ipapo.
Vakashandisa rimwe bandi
kunochera mvura patsime raive
pedyo nemakura. Mvura iyi yakadirwa
mugambe rainge rachererwa muvhu
riya, maiperera mvura iyi vakabva
vanamira chidokohori kutenderera
gate rese. Pedzezvo vakabva
vachitangisa kuratidzana unyanzvi
hwekuteya mariva. Vakateya mariva
akawandisa chose ndokuzopedza
zuva rogara miti. Chemusi uyu
vakange vashanda chaizvo
ndokudzokera kumisasa nekukasika
nekuti mombe dzainge dzotobva
kumafuro dzoda kupfigirwa. Chisina
kuziva vakomana ava ndechekuti
nguva yese yavakabva kumakavi
nekuzonoteya mariva. Tsvoti aingo
nyahwaira ari chinhambwe achiona
zvese zvavaiita sekutumwa
kwaakaitwa naChambwe. Vakomana
vakasvusvura ndokuzendama
mugota mavo semazuva ose
vachikurukura dzakasiyana-siyana.
Hope dzakazovahwetura vakarivara
ndokutozokaruka kunze kwatoedza.
Vakarara dzekuneta chaidzo
nemabwe emariva avainge vaswera
vachitsidigurana nawo kumakura.
Vakamuka ndokutora nhava
yekunoisira mbeva, umwe neumwe
ndokubereka zvombo zvake.
Vachingonoti nyengu mumakura
ndiye dhuma naTsvoti.
Mambo Mabharivari nejinda ravo
Chambwe vakatora mashoko
aNhekairo seasina basa.
Vakasimbisana kuti vapfuudzire
mberi hurongwa hwavo hwakange
hwatangiswa uhu. Mushure
memazuva matatu mauto ane
chitsama akaungana pamuzinda
washe nezvombo zvavo. Vamwe
vavo vakange vachinonokerwa
vachitoti dai hondo yacho
yatotangisa musi iwowo. Vamwewo
ndivo vainge vasina kugadzikana kuti
vaizonokunda here kumakwikwi
avaizonorwisa Tsindikwa. Zuva
raitevera varume ava vakafumorova
nhetserwa vakananga kuna
Cherukato kunogadzirira hondo yavo.
Vakasvikako vakaiswa muzvikwata
zvitatu zvainge zvakaenzanirana
vanhu. Chekutanga chaiva
chaChambwe kuchitiwo chepiri
chaiva chaZengu mutevedzi
waChambwe. Chekupedzisira
chakange chiine imwe hwitakwi
(Tanga) uyo airatidza kuti akasiya
nyakutumbura vaperezeka
nekuyamwiwa. Varume vatatu ava
vakange vagara vakarongana
mafambisiro avaizoita basa iri.
Cherukato rakange riri kure-kure
nemisha zvekuti hakuna vazhinji kana
pwere dzaisvikako. Gwindingwi iri
raizivikanwa nekurura zvikara
zvemarudzi ose. Varume ava
vakapinda musango iri zuva rogara
miti vachibva vatoronga zvekuvata
kuti vazoita basa ravo kwakachena.
Vakaona zvisina kufanira kuti varare
panzvimbo imwechete vachitya kuti
zvikaenda nepamwe panguva
dzeusiku idzi vasazoparadzwa vese.
Chambwe nechikwata chake
vakasudurukira kumavirira, Zengu
ndokudzika kuchamhembe kuchitiwo
Tanga akasara panzvimbo
yavakasvikira iyi. Chambwe nevamwe
vake vakafamba kwekachinhambwe
ndokuzonomira vave mhiri
kwekarwizi kaigurira nemusango
umu. Vakanomira pasi pehunde
yemuchakata apo vakaona
pakanakisa chose kuti vavatepo.
Chambwe anoraira mamwe majaya
matatu kuti vatsvake huni vagowana
kuvesa moto wekurara vachidziya.
Moto wainge wakanakira kuti
unodzingira zvikara kure saka
vaizoedzerwa nekunze zvakanakisa
chose. Vakomana vaya vakaita
chipatapata kuunganidza matanda
makuru nemadiki. Vari mubishi
rekukungurutsana nematanda aya
vakanzwa ruzha rwekuchema
kwenjiri. "Varume hatingafe nenyota
iwo makumbo ari mumvura kudai.
Uyo unotova usavi hwakanakisa
chose regai tinoona kuti midzimu
haingatirangarirewo here?" Anodaro
Chambwe achitora pfumo rake
ndokudungamidzana nemamwe
mauto maviri. Vakafamba vachiita
kunyangira ndokuita mahwekwe
nenjiri ina dzichirwira kudya hacha.
Chambwe akazevezera kuvamwe
vake kuti vaite muonera pamwe
chuma chemuzukuru. Nenguva isipi
varume vakapfugama ndokuisa
miseve pamagangauta avo.
Vakakwekweta magangauta
ndokuregedzerana nguva imwechete.
Pamiseve mitatu mumwechete ndiwo
wakapotsa dzimwe njiri mbiri
ndokubva dzatiza. Museve
waChambwe wakasvikokoti zete
nepahuma njiri ichisvetuka mudenga
ndokuchema kamwechete ichinoti
muvhu nyonde nemusoro ndiye tasa.
Mumwe museve wakanobata imwe
njiri nepadumbu ichibva yamboda
kumhanya asi zvakakona ndokuti
pasi pfurugwada. Havana kutambisa
nguva mumwe wevarume ava
akanoipaza musoro nenduni ndiye
tasa yakadaro. Midzimu yakange
yakombora vematenga vainge
vazarura masango, varume ava
vakatakura nyama yavo vodzokera
kwaiva nevamwe. Vakasvikowana
kwatova nemarimi emoto varume
vose vati ware-ware kugara pasi
vachizorora maneto ekufamba. Njiri
mbiri idzi dzakaitwa mukomberanwa
varume vovhiya, nenguva isipi nyama
yakange yatobvinza mafuta iri
pamoto. Chakaita vavhiye njiri idzi,
inhau yekuti vaisakwanisa kudzipara
kusvika dzachena. Vanhu vakadya
nyama kusvika matumbu oita
seachaputika nekuzarisa. Venhomba
yakambotizira kure, meno akasvika
pakurwadza nekutsenga. Vamwewo
vakatadza kudya nekuda
kwekufunganya zvaizotevera
mangwana acho, mwoyo yainge
yaenda kure kwazvo. Vazhinji basa iri
vairidira kuti vakanopamba dzimwe
nyika vakabudirira vaizopiwa mibairo
yakatsaukana serutendo kubva
kunashe. Majaya ipapa vaitotarisira
kuwana madzimai kana vachinge
vadzoka kuhondo zvigotiwo pfuma
yaisambovanetsa kuunganidza.
Zengu nevamwe vake havana kuda
kuswerera kutsvakana nezvizhinji.
Vakangonowana hunde yemuonde
ndokutokwiramo vozvisunga
nemikosi yavo dzamara kwaedza.
Varume vaiva pachikwata chake
vakadya zvimukuyu zvavakange
vakaisa munhava dzavo ndokutovata.
Zvimwechetezvo nekwaiva naTanga,
vanhu vakaedzerwa vakakomba
marimi emoto vasina kumbotsvakana
nezvokudya. Husiku hwezuva iri
hwakarebera vamwe varume
nemajaya vakange vaine zvizhinji
mupfungwa dzavo. Iko kuronga
nekurongonora ndiwo wakange
watova musimboti wepfungwa
dzamara kwaedza. Husiku
hwakapfuura zvakanakisa chaizvo
hapana kana mumwechete wemauto
aya akavhiringwa kana nechii zvacho.
Zuva richinoti vhu-u, Chambwe
akaibata hwamhanda
ndokuikwamatatisa zvine unyanzvi
chaizvo. Zvikwata zvose
zvakanyatsonzwa kurira
kwehwamhanda vachibva vaita
dungwe rongondo vakananga kubani
raiva nechekumaodzanyemba
kwegwindingwi Cherukato.

CHITSAUKO 07
Zvimwe zvikwata zvakawana
Chambwe atomirira nevarume vake
kuti vagotangisa basa ravo. Mukati
megwindingwi Cherukato maiva
nezienda nakuenda regomo rainzi
Zuzunye. Mujinga megomo iri maiva
nerwizi rukuru kwazvo Mavhaire.
Hova iyi yakange isingapwi
mumwaka wese wegore naizvozvo
ndimo mainwira mhuka huru mvura
dzakaita senzou, shumba nenyati.
Panguva yakange yaungana mauto
ose mubani iri vasati vatombodii,
vakatura befu vakuru vemasango.
Gwindingwi rose rakandengendeka
nemaungira ekudzvova kweshumba
iyi zvekuti kana netsuro dzakati kwati
-kwati nemakwenzi. Vamwe
vevarume gumi vaiva mubani umu
vakavhunduka zvikuru ndokuti
mwanda vachipinda mumakwenzi
nemativi akasiyana. Hapana asina
kubatwa nekutya pavarume vese
vaiva apa. Vamwe vakatadza kana
kusimuka ndokuwira pasi vonyarara
vakadaro. Vamwe ndivo vainge
vatobatira hana mumaoko, vamwewo
vakanzwa bvudzi kufamba
mumusoro. Mumwe wevarume
vekutiza akaita rombo rakaipa
ndokuita mahwekwe nerovambira
yakashatirwa nechekare.
Yakamukobora panhova chaipo
ndokungoti pfau-pfau tasa ndiye
chisarai. Vamwe vapfumbamwe
vakamhanya kwenguva refu mumwe
nemumwe achinanga kwake. Vamwe
vatatu ndivo vakanobudira
kumuzinda chaiko, vamwe vose
ndokungotetereka nesango. Vashanu
vakatsakatikira mukati mesango iri
ndokupona mumwechete wavo
wainzi Nhindi. Uyu muchinda
akaponera munyika yashe Tsindikwa
umo akanobatwa ndokuitwa
musungwa. Majaya ainge asara
mubani vakange vachingobvunda
vamwe ndovainge vatonyorovesa
makumbo. Vazhinji vavo vainge vave
kuona kuti apa vainge vazvikanda
mumuromo mengwena. Mushure
mechinguva Chambwe akazoraira
vamwe vake kuti vambonokwira
mumiti vamirire kuti zuva rimboti
simuke zvishoma. Izvi aiziva kuti
kana zuva rakwira vemasango ava
vanenge vagadzikana vave kuzorora
ipapo vaizowana kubata basa ravo
chigadzamoyo. Shumba yainge
yadzvova iyi yakange iri chinhambwe
chaicho kubva painge pakaungana
varume vekwaMabharivari ava.
Pakataurwa yekukwira mumiti iyi
hapana akada kuve mombe yeshure
inosarira chamboko. Vose
vakasimukirana pamwechete
vokwikwidzana kukwira mumiti
mikuru yaiva pedyo. Vakazodzuruka
mumiti parudziyakamwe asi vamwe
hana dzakange dzichiri mumaoko.
Vakaunganidzwa panzvimbo
imwechete vakaita denderedzwa
Chambwe ndokumira pakati pavo
otanga kutaura. "Varume sango rino
ratapinda rinoda kuisa misoro
pamwechete semapango edenga.
Kuwana anoita zvemusoro wake
akazopinda munyatwa tisati hatina
kumboyambirana. Nguva yatange
takamirira tose ndiyoi yadai kusvika.
Tinofanira kubata basa redu
nekuchimbidza kuitira kuti
pakunozodoka tinenge tapedza,
mangwana tofuma tichinanga
kumuzinda. Sekuziva kwedu tose kuti
ishe vakatimirira pamwechete
nemhuri dzedu kumusha uko."
Anodaro Chambwe asingamboburitsi
zino pachena zvinova zvakaratidza
vamwe vose kuti iyi yakange isiri
nguva yekutamba kwete. Varume ava
vakadzorerwa muzvikwata zvavo
ndokuparadzana vonomira mumativi
akatsaukana ebani iri. Mauto ose
akange abatira mapfumo mumaoko
zvino, kwete neshungu dzekuda
kurwa asi kuda kuzvirwira kana
pachinge pashata. Panguva
yavakange vave kuda kutangisa
makundano avo mubani makapinda
danga renyati dzichimhanya nedivi
rimwechete. Mukati madzo makange
mune imwe yainge ichikamhina
ichierera ropa gumbo rekumashure
kuruboshwe. Hapana akaudza
mumwe zvekuita varume ava vose
vakati kata kata kukwira mumiti.
Pasina nguva vakaona shumba mbiri
dzichinyahwaira nemuhuswa
dzichitevera nyati dziya. Nyati
hadzina kumira dzakaramba
dzichimhanya uku shumba
dzichingotevera shure, zvikara
ndokupfochomedzeka mumakwenzi.
Sango iri rakange risina kureruka
kana nepaduku pose zvaitozivikanwa
naani zvake. Chambwe akapererwa
nezano agere padavi rehunde
yeMuvanga. Akakwenya musoro
kasingagume pashure ndokuzotarisa
mudenga sezvinonzi aiverenga
makore. Akati dhuu kufunga achibva
ambotura befu teverere odzika
mumuti maaiva odanidzira kuti
vamwe vose vachiburuka havo. Zuva
rakange ratogara panhongonya
panguva yakaburuka varume ava iyi.
Murume uyu akataurira vamwe vake
kuti hurongwa hwavo hwainge
hwatoshanduka. Iye zvino vakange
vave kutofanira kuvirirwa nezuva
vakwira Zuzunye. Ikoko ndiko
kwaakange aona kwakakodzera
kunobatira basa sezvo nzvimbo
yavakange vari iyi yainge ichiratidza
kurema kukuru. Havana kuzoparadza
nguva varume vose ava vakaita
dungwe rongondo Chambwe ari
mberi. Waingonzwa ruzha
rwemitsindo pamwe nekutsikwa
kwemashizha meso achimanyiswa
kuringa mativi ose. Vakafamba
kwechinhambwe pasina kuzorora
ndokuzosvika pane chimwe chikomo
chaive chisina kukura kuenda
mudenga. Chambwe akatorana
naZengu nemamwe mauto maviri.
Murume uyu akasiya araira vamwe
vose kuti vasare ipapo iye
achinoongorora mberi kwavaienda
kana kwainge kwakanaka. Varume
vakakanyaira sehoromba yegudo
vachikwira chikomo vari vana.
Chambwe naZengu vakakwira
pamusoro soro peibwe rainge
rakadarika mamwe ose.Vakaringa
ringa mativi ose ndokuona kuti
vainge vasara nechinhambwe
chidoko chaizvo kusvika murwizi
Mavhaire. Vakadzika muchikomo
ndokuenderera mberi nerwendo asi
vainge vokanda nhanho kuitira zuva
rainge roda kupinda muna amai varo.
Shungu dzavo vaida kunozorora
vabira rwizi. Vakatsungirira dzamara
vanosvika murwizi zuva richidoka.
Nyota nenzara zvainge zvavabvunza
mitupo sezvo vainge vapedzisira
kunwa mvura zuva rainge radarika.
Yakava nhange tange
kumhanyidzana padziva iro raive zere
nemvura yakati zvii-i. Chambwe
haana kuda kumhanya pamwechete
nevamwe akadaidza Zengu kuti
amire kunonwa.Vari mubishi kunwa
mvura vakavhundutswa nemutsindo
wakabuda nemumakwenzi
kumashure kwavo. Chambwe akati
cheu ndokuona gurusvusvu
reNgongoni dzichiuya dzakananga
padziva. Haana kuda kumirira
kuudzwa kuti Ngongoni dzaitiza
neupenyu hwadzo. Akadaidzira
kamwe chete "varume tapera" ndiye
chitsoka ndibereke akananga
kwaiperera dziva.Kumhanya kwaiita
Ngongoni idzi kumashure kwadzo
kwaitevera shumba. Mauto
akazosara osimuka painge
patominama nechekare Ngongoni
dzatosvika. Kusimuka kwakaita
mauto mhuka idzi dzakavhiringika
kuti ndonanga divi ripi.Chakava
chipitipiti aziva kwake aziva kwave
doto reChapungu. Pakaita zhohwe
zhohwe parwizi vanhu vachiridza
mhere ukuwo Ngongoni dzichikuma.
Dzimwe dzemhuka idzi dzakasvikoti
mudziva piti piti.
Dzivo naMugadza vachingonoti
mumakura nyengu ndiye dhuma
dhuma naTsvoti akatumba
mugandiwa. Vakomana
vakanyahwaira ndokunovanda
negwenzi pedyo naye. Haana
zvaakafungira kuti kunze kungava nei.
Aitoridza muridzo hake uku
achinyukura mbeva dzainge dzizere
mugambe regate. Tsvoti airuta
zvisina mukare akamboona,
akanyukura danhazvuru ndokuramba
akariti nde-e rute ruchidonha. Zvino
nhava yainge yachiti chechetere
kuzara semvura iri muchirongo
pasisina kana nemhepo yaipinda.
Paakanoti achisimuka ndokunzwa
izwi richibuda nemugwenzi. "Hekani
waro vadzimba!" Akadanidzira Dzivo
achibuda mugwenzi otofamba kuuya
divi raiva naTsvoti. Murume uyu
achinzwa izwi iri akaziva kuti ainge
anyangira yaona. Akati kwanyamu
kusimuka ipapo ari chamuhwiriri oita
ushamwari nemhepo. Nhava yake
yakadambuka nekuremerwa ichibva
yadonhera kwakadaro mbeva dzose
ndokuti waya pasi. Dzivo achiona izvi
akati baba wangu Moyo iwee, uyu
ndiwo mutambo wandinofarira.
Akamutevera shure achiita kuteta
pasi usingambonzwi mutsindo kunge
pari kufamba mbada. Tsvoti akati
cheu ndokuona chikomana chiri
kuuya chiri museve. Vachinoti
mubani reChamapenzi Tsvoti
akacheuka zvekare ndokuona kuti
painge pasara nhano dzingasvike
makumi maviri kuti abatwe.
Vakazosara vonokwidza mukwidza
vananga muchitondo pasara nhanho
gumi chete. Tsvoti achinoti apote seri
kwegwenzi akaerekana angoti pasi
bhidhiri. Dzivo akasimudza uso
hwake ndokuona mberi kumire Budzi
nemauto ake maviri. Kudonha
kwakaita Tsvoti ainge abonderana
nemumwe wemauto aya uyo aive
hofori yerume. Dzivo akabva
angomira pakare uyuwo Tsvoti ainge
atoyeredza mvura nenguva isipi.
"Kwakanaka here kubva
mamhanyisana semadzvinyu
kudaro?" Akabvunza Budzi
achiratidza kushamisika kwazvo.
Achitarisa Tsvoti akaona asiri zera
rekuti angatamba navanaDzivo ava
kwete. Kutodzinganisana kwavaiita
uku kwakamuudza kuti pane
zvakange zvichitora nzvimbo.
Hapana kana mumwechete
akadavidza nekuda kwekufemeruka
kwavaiita. Havana kupiwa umwe
mukana wekupindura rimwe uto
rainge ratobata nduni nekumusoro
kwayo raita kuvhura meso kunge
bungumuridzo riri mumwena. "Yowe-
e....!" Akabongomora Tsvoti mushure
mekunge achinjikirwa tsvimbo
kumusana. Dzivo achiona izvi akabva
ati pano handichamire ndiye pfocho
neseri kwegwenzi. Mauto akati
ndokutizvidza pamberi pamambo
wedu ndiye naye sona sona. Dzivo
akapepereka achidzika nemubani
akananga kwaive kwasara umwe
wake. Budzi akasara ndokutorana
naTsvoti vodungamidzana kwaainge
areva kuti kwasara mbeva mushure
mekudura zvese. Nguva
dzakatandanisana vana Tsvoti,
Mugadzaneuta akasara achiwira pasi
nekuseka. Mamhanyiro akaita
varume ava kana hove yapunyuka
pachirauro haisvikepo. Mushure
mekunhonga mbeva akabva agara
hake mugandiwa achimirira kudzoka
kweumwe wake. Hapana kupera
chinguva akashamisika kuona Dzivo
achiuya ari chamuhwiriri achiteverwa
nemauto maviri shure kwake.
Mukomana uyu akangonhonga
gangauta nemiseve ndiye kwanyamu
ndokuti tumbi pakadero.
Chiriporipotyo akaisa museve
pagangauta ndokukwekweta zvine
simba akanongedzera kwaibva
naDzivo. Muchinda uyu akasviko
zviwisira pamberi peumwe wake
achifemera pamusoro zvakanyanya.
Mauto aye achiona museve
wakanongedzerwa kwavari vakabva
vamira vari chinhambwe. Pakaita
chinguva vakadzvokorana pasina
kana umwe chete aitaura
pachingonzwikwa kufemeruka.
"Hatina kufambira kurwa," rakadaro
izwi rakabuda nerimwe divi.
Mugadzaneuta achinoti cheu
ndokuona kumire vanhu vaviri
vaakaziva ndokubva abvisa museve
pauta. Parizvino Dzivo ainge amira
akabata zvombo vamirira kunzwa
chinangwa chevarume ava. Izwi
rainge radanidzira iri raiva raBudzi
uyo akaenderera mberi achiti ainge
achimema muzinda hake asingade
zvebope nevanhu. Muchinda uyu
akaswedera pedyo naMugadzaneuta
omudzoreredza hasha. "Zvakanaka
changamire wangu isu tiri kutarira
mariva edu zvino tawana dzamira
nemhuru. Murume wamumire naye
anyurura mbeva dzedu zvisinei
tamuwanikidza achibva atiza."
Mugadzaneuta akataura pasina kana
kutya akatarisana naBudzi mumaziso
chaimo. Paingunorondedzera
Mugadzaneuta uyu Tsvoti
aingogutsura musoro achiti
ndizvozvo chaizvo. Akazoguma
nekukumbira ruregerero achiti aka
kaiva kekutanga nekekupedzisira
kake kuita hunhu hwakadai uhwu.
Mushure meizvi, Mugadzaneuta uta
akatora mbeva dzakasiyana siyana
kusanganisira magwiti, mapanya
nenhinga ndokusungira Budzi
pamashizha kuti anosevawo
kumuzinda. Vanhu vakaparadzana
Budzi nevamwe vake voenda
kumuzinda, Tsvoti kumusasa yake
avawo ana Dzivo kwavo.

CHITSAUKO 08
Mugadzaneuta naDzivo
vakamboseka vachiyeuchidzana
mamhanyiro ainge aita Tsvoti
achivhuna makwenzi. Vakanakidzwa
chose varume ava nehurukuro yavo
apo Mugadzaneuta airumbidza Dzivo
nezvechipo chake chekuteta pasi.
"Mugadzaneuta waona chiso
chaBudzi kuti hachina kufarira
kupungurira kwawamuita mbeva
dziya here? Aratidza kudzimbikana
zvikuru zvichida atodyara mhonzi
yeruvengo pamusoro pazvo."
Anodaro Dzivo achiratidza kusafarira
maitiro aBudzi vari kumakura.
Mugadzaneuta haana kuratidza
hany'a nazvo hake akabva atoti
zvizhinji vasiire musi waizoda Budzi
kuita zvisina maturo navo.
Akaenderera mberi achiyeuchidza
Dzivo kuti asakanganwe kuti havanga
vhundutswe nechati kwatara idzo
dziri shasha pakushandisa zvombo.
Izvi zvaingova pachena kuti Budzi
musi waanoedza kuita mawara ndipo
paaizoziva chakakonesa mbizi
kugara mumusha iyo yakanaka
kudarika mbongoro. Vakomana ava
vakasvika kumisasa yekwana Dzivo
ndokutsveta zvombo nenhava dzavo
padare rasekuru vaDzivo. Moto
wakaveswa nenguva isipi vachibva
vatangisa kubvura mbeva dzavo
pamwechete. Zvikomana zvaive
mubishi kubvura mbeva zvisina
fungidziro kuti kunze kunei. Papera
chinguva Mugadzaneuta akasimudza
musoro ndokuona VaMarwei vamire
pasuwo redare. Vainge vakakanda
meso avo pachoto vakayeverwa
nezvaiitwa nevazukuru vavo.
Vakavhundutswa naMugadzaneuta
akaerekana angoti mangwanani
ambuya. Vakapotsa padiki kukutura
mutakura wavainge vavaigira.
"Munodadisa vazukuru vangu
murambe muchibatira pamwechete
misi yose." Vakatambidza Dzivo
sezvo ariye ainge ari pedyo agere
akafuratira musuwo wedare.
Mushure menguva yakati rebei
vakazopedza kubvura ndokubva
vadzikwatisa zvishomane. Pashure
vakadzibura ndokusasika pamusoro
pemapfihwa ndokuteteresa marasha
kuti dziome zvishoma nezvishoma.
Vakashamba maoko ndokuita
muonerapamwe nhimbe yemasvosve
pamutakura uya. Vakomana ava
vakatozoswera vomenyana nenzungu
dzedovi iro raida kuzogadziriswa
nhopi nambuya vaDzivo. Ivo
VaMarwei panyaya dzekubika nhopi
idzi vaiva mazvikokota chaiye,
vaizivikanwa mumuzinda umu kuti
hapana aimisidzana navo panyaya iyi.
Mugadzaneuta naDzivo vaidisa
chose kugara vachidya nhapitapi
yaibikwa nambuya vavo ava. Vaiti
kungonzwa mbuya vachiti vanoda
kubika nhopi vainekaira kubatsira
mbuya pane zvose zvavangade
pakugadzira nhopi. VaMarwei
pavaiva bishi kukanga nzungu dzavo
vakomana vaviri ava vaivawo mubishi
kumenya pamwe nekutema tema
mashamba. Zvose izvi vaiita
vachiudzwa zvekuita nambuya
ndokuzogadza pamoto mushure
mekupera kukangwa kwenzungu.
Havana kuwana nguva yekutambisa
vakomana ava vachibva apa vakabva
vanobata mitswi voita kujijana
kutswa muduri. VaMarwei vaiva
vakamira havo padivi vakabereka
maoko vachipa manyawi kuvazukuru
vavo vachivaimbira rwiyo. Nenguva
isipi nzungu dzainge dzawota muduri
zvikomana zvoyerera ziya. VaMarwei
vakatora guyo nehuyo ndokupfugama
vokuya havo vachiitira vazukuru vavo
ny'ambo. Havana kuona kuti zuva
rakadoka sei vachinakidzwa semhuri
yavo. Mugadzaneuta naDzivo
vakazosimuka vanzwa mombe
kukuma vakaziva kuti dzabva
kumafuro dzoda kuzarirwa.
Mugadzaneuta akaraira kuti Dzivo
asare achibvisa mbeva pamoto iye
achinopfigira mombe. Dzivo akasara
ndokubvisa mbeva idzo dzainge
dzaoma kuti papata kuita chimukuyu.
Waiti ukadzitarira wairwera rute
nekutsvukira kwadzainge dzaita zvoti
kusinina mafuta. Mugadzaneuta
akadzoka ndokubva vatorana
neumwe wake voenda kumisasa
yekwavo. Dzivo akananga kuimba
yekubikira uko kwaipfungaira chiutsi,
uyuwo Mugadzaneuta achipfigira
huku. "Gogogoi," anodaro Dzivo achiti
nyengu kupinda ndokusviko gadzika
nhava yemufushwa wembeva padivi
naVaMusekiwa. Jaya rakazvikanda
pachigaravakwati pashure
ndokubvunzana kuswera
naVaMusekiwa. Mugadzaneuta
ndokupindawo nenguva isipi
achisvikoitawo zvimwechetezvo.
Havana kuzogarisa vachibva
vaonekana nambuya vomhanyira
nhopi yavainge vasiya ichishinyidzwa
naVaMarwei. Vakasvika VaMarwei
vachitotsvaira havo mumba kuti
vawane kupakura. Vakomana vainge
vatononokerwa waingoona kufamba
kwegurokuro kuti vakomana vari
kumedza mate. Yakazoburwa umwe
neumwe ndokuzvionesera dzamara
vangoitarisa matumbu asisagone
kana nepadiki.Vakatandara
ndokuzonorovera matama pasi
nhambo dzafamba chaizvo.
Ngongoni dzaive kumashure
dzakasvikoti piti-piti mudziva dzimwe
mukati memauto imomo. Pakaita
zhohwe zhohwe varume vakuru
vakabongomora mhere sendumurwa
yabvutirwa bota. Mauto akatsikwa
tsikwa vamwe ndokusairirwa
mudziva. Ndizvo vakuru vakati kusina
mai hakuendwi, vainge vazvikanda
mumukanwa mamupere. Shumba
dzichiona besanwa iri dzakabva
dzaita sedzinonzvenga dzotora
rimwe gwara. Hakuna kure
kwadzakaenda, dzakakuvama
mumakwenzi dzorindira dzirimo.
Pamauto akawira mudziva
vashomanana ndivo vakakwanisa
kushambira vakabudira mhiri.
Ruzhinji rwakatsakatikira mudziva iro
rakasara rangotsvuka kuti piriviri
neropa. Chambwe nemamwe mauto
akapunyuka parumananzombe urwu
vakanomira vava chinhambwe.
Havana chavakakwanisa kubatsira
nacho asi kungoona vamwe vavo
vachitsakatikira padziva iri. Kune
rimwe divi Zengu aive agere mumuti
achifemeruka mushure mekupunyuka.
Mushure menhambo yakati rebei
mhere mhere yainge yasara
shomanana yemauto aingotakwaira
arere muvhu. Zvaipisa tsitsi vazhinji
vavo mapfupa ainge atyoka sare
akati nyena. Chambwe
akazvishingisa ndokudaidzira vamwe
vake, "varume zvinhu zvaita
manyama amire nerongo pano.
Sekuziva kwenyu tsuro haiponi
murutsva kaviri. Tikaita sepwere
tinotsakatikira musango rino." Aya
akange ari matama ainge ataurwa
nemuchinda uyu zvechokwadi
midzimu yainge yadambura mbereko.
Varume vose ava vakashingisana
ndokubira mhiri votasira kana painge
pasara vatano. Vazhinji vainge vave
chando kusara kwevashomanana
vaitakwaira. Zvakasiririsa nekuti
hapana chavaikwanisa kuvayamura
nacho. Vakadzimbikana kusiya
vamwe vavo vachitandadza
zvakadaro pakati pesango. Varume
ava vakabvumirana kuvazorodza
marwadzo nemunondo. Zvakatora
nguva pfupi kwazvo painge pasisina
kugomera asi vakasara neronda
mumoyo. "Zvotochiita pano varume
ngatiravanei tione mauto atsakatika
kuti mangani," anodaro Zengu.
Pamauto ose akapinda muna
Cherukato kwakasara makumi
mashanu nematanhatu. Chambwe
akakangwa mate mukanwa
nechiitiko ichi, akazvishora
nesarudzo yekupinda muna
Cherukato yaakange aita. Mushure
mechinguvana akakasira kuyeuka
kuti kunze kwainge kwati zvarara.
Akaona zvakafanira kuti vawane
pakachengetedzeka pekurara vasati
vanyangirwa nezvikara. "Zvisinei
yadeuka yadeuka haichaworereki,
ngatikandei zvitunha mudziva
nekukasira tione zvatingaita kusati
kwasviba." Anodaro chambwe
achicheukira mativi ose kuri kutya.
Chakava chipatapata kukandwa
kwezvitunha mudziva. Ngwena
nezvimwe zvipukanana zvemumvura
zvakaita bembera nenyama.
Vachipedza izvi Chambwe ndokuraira
vamwe vake kuti vabire mhiri
kwerwizi vanokwira paruware
rwaioneka chinhambwe. Mumwe
nemumwe akanhonga zvikuni
pavaifamba kuti vanosika moto
wekurara vachidziya. Moto uyu
waizovabatsira zvekare kuti
vasanyangirwa nezvikara zvesango.
Varume ava vakakwira pamusoro
peruware rwuya apo vakasika zhenje
remoto vachibva vagara vakaita
denderedzwa. Musi uyu hakuna
akadzikotsira nekuda kweruzha
rwezvikara. Kana nenyoka
dzemudumbu dzainge dzakati fototo
dzirere mudumbu hapana yaibvunza
kudya. Chokwadi regai vanoziva vati
nzara inouya parugare. Husiku
hwemusi uyu hwakavarebera, umwe
neumwe aingoona kuti tai-tai kuri
kupenya kwemeso ezvikara
nechekure nemoto. Dai
vakangorivara zvekusvika pakudzima
kwemoto vose vangadai vakapera
kutetenwa nezvikara izvo zvainge
zvakaita fararira mumakwenzi aive
pedyo navo. Vazhinji vakakungura
chavainge vapindira muchiuto asi
wekuchemera ndipo pakange pasina.
Hakuna kana akada kuti bufu
nerimwechete zvaro, vainge
vakakanda meso mumakwenzi.
Mwedzi wechirimo wainge wakati
ngwe-e zvekuti kana chisvo
wainhonga. Munguva
dzemashambanzou ruzha rwakaita
ruchipera kusara kwemapere ainguno
mhemhaira ari chinhambwe. Hutonga
huchinotsvuka mauto akarerukirwa
zvishomana muhana dzavo asi zano
vainge vasisina. Chambwe akazviona
kuti hana dzemauto hadzina
kugadzikana zvachose. Iye pachake
aive nekutya asi semukuru
akazvivanza.
CHITSAUKO 09
Akaziva kuti akangoratidza
humbwende ariye baba kureva kuti
nevana vose vaipera kutiza musha.
Akazvipfekedza dehwe roushingi
ndokuraira kuvamwe vake kuti
vaifanira kufamba kudzokera
kumuzinda. Izvi zvaigona kuvaitira
nyore kana kunze kuchinge kwave
kudziya mhuka zhinji dzapinda
mumakwenzi kuzorora. Mauto ose
achinzwa shoko iri vakambotura befu
pamwe nekurumbidza midzimu
vachiti yakange yakombora. Nyangwe
zvavo vaiziva kuti kubuda muna
Cherukato kwaisava nyore asi
yekungoti vave kudzokera kumusha
iyi yakavaitira zvakanaka chose.
Ipapo vazhinji vakazviudza kuti
vacharamba vakaruma muromo
wezasi dzamara vanobuda
mugwindingwi iri. Vazhinji vavo
vakange vasisade kuramba vari
muchiuto ichi. Vakaona kuti zvaive
nenjodzi huru kwazvo kugara ura huri
mumaoko. Vakatozviudza kuti
vachisvika kumuzinda vainokanda
mapfumo pasi. Zvekuchanzi
mbwende izvo yakange yatovawo
imwe nyaya yavange vasisina hanya
nayo. Varume ava vainge
votungamidza chinonzi hupenyu
pamberi kupinda zvose. Muchiuto
umu kwaingovawo kushandiswa
kusina pundutso chaiyo inooneka
kunze kwekungopiwa twumbudzi
nembongoro. Panguva yavaimirira
kukwana kwerudziyakamwe,
Chambwe akange achirwisanisa
pfungwa mukati medehenya rake.
Aitadza kuziva kuti nyaya
yekutsakatika kwemauto iyi
ainonoitaura sei kuna mambo. Ko
idzo hama dzemauto aya
dzaizozvitora sei kuti hama dzavo
dzainge dzamedzwa nesango.
Murume uyu aiti akadzamisa
pfungwa ainzwa muviri wake
kumerera. Aishaya zano chairo
rekunopinda naro mambo pamusoro
pemauto avo. Dai vainge vaparadzwa
musarudzo dzavakange vafambira
zvaiva nani aiwana madairiro. Nguva
dzerudziyakamwe dzichingoti gedye
Chambwe akazungunutswa naZengu
onzi nguva dzakange dzadyana.
Zengu akazviona kuti mumwe wake
ainge achidyiwa nendangariro asi
haana kuda kubvunza nokuziva kuti
angapinza munwe wake panguva
inopisa. Chambwe akangoti
kwanyamu padombo paainge agere
achibata zvombo zvake ndokumira
pamberi pevamwe vake.

Musi wadyiwa nhopi uyu, Mugadza


akarara kumisasa yanaDzivo.
Yakange iri tsika yavo vakomana ava
zvekuti kana naVaMarwei hazvina
kutombovakatyamadza. Hope
dzakanonoka kuuya musi uyu
vakomana vachingorimbinyuka vari
parukukwe nekuzvimbirwa. Madyiro
avainge vaita nhopi aiva aye ekuti
tazviwanira pano. Vakadya
sezvinonzi kwakange kusina zuva
raizonzi mangwana, kudya zvekusara
matumbu orira sengoma yasasikwa
kumoto. Zvakatozowedzerwa
nemikombe yemvura yavakadutira
vachangopedza kudya. VaMarwei
vakambovatsiura kuti madyiro amoita
nhopi aya haasisina kururama. Ivo
vakomana ava vakaramba vakaruma
chirebvu vachiti avo matumbu ainge
akasimba kwazvo. Miromo yevakuru
haiwiri pasi, chemusi uyu vakaona
chakati tende. Vaiita kushanyarika
kunge zvifimbiri zvanyukurwa
mundove, mumwe nekoko mumwe
nekoko. Waingonzwa kubhidhirika
pamwe nekugomera kune mutsindo.
"Shamwari ndapfidza
handichazvipamhi zvekare," anodaro
Mugadzaneuta ipapo ainge aita
zvekuzendama nemadziro. Dzivo
haana kukwanisa kudaira kunze
kwekungogomera achipinduka kurara
nemusana. Dai hwakanga husiri
hushingi kungadai kwakanzwika
mhere mugota umu yekurwadziwa
nekufufutirwa. Nguva hadzina
kuvafambira zvachose nekuda
kwekushushikana nekuzvimbirwa.
"Tadii tanomutsa mbuya vatibatsire
Dzivo shamwari kunze
hakungamboedzi takadai?"
Akabvunza Mugadzaneuta
achiratidza kurevesa pamashoko ake.
Dzivo akona kuti iri rakange riri dama
chairo ndokumanikidzira kumuka
otonanga kumukova. Mugadzaneuta
akatevera shure vaviri
ndokudungamidzana kuhozi
yaVaMarwei. Vakasvika ndokurova
gonhi mbuya vachibva vabuda panze
vachishushikana kuti ndiani ainge
achivakanganisa hope nguva
dzakadaro. VaMarwei vakaita
sevachaumburuka pasi nekuseka
vazukuru vavo vachigwesha
nemadziro. "Ndizvo
zvandambokuudzai vakomana
muchidya semakagarwa nengozi
paya, hezvo mazozvionera. Dzivo
enda unotora huyo uuye nayo pano."
Vanodaro VaMarwei vachipfipfinyika
kuseka, vaigotadza nei havo
nemaitiro ainge achiita vakomana
vacho. Dzivo haana kuda kuparadza
nguva akabva atonanaira kunanga
kuberevere retsaka yokubikira
onotora huyo iya. Chiriporipotyo
akadzoka nayo ndokusvikoipa mbuya
vake omirira zvaitevera. Vose vari
vaviri vakanzi varare pasi vakaita
manhede VaMarwei ndokuuya
vopfugama pedyo navo. Vakatanga
naMugadzaneuta vomukuya dumbu
nehuyo kwechinguva ndokuzobatira
Dzivo. Vachipedza izvi mbuya
vakabva vapinda mumba havo vorara
ava vakomana voenda kugota kwavo.
Nenguva isipi vakatanga kunzwa
kurira kwematumbu
zvakatombovavhundutsa navowo
teverere voita chipitipiti
kumhanyidzana kumatondo. Hope
dzakatozovabata kunze kwatoedza
hutonga hwotooneka kumabvezuva.
Sevanhu vakange vasina kudzikotsira
dzehusiku hwadari vakati nonoke
kumuka zvishoma. Vakatozobuda
mumba zuva ratoti kwirei zvishoma
voenda padare apo vakasvika
nekuvesa moto. Matumbu ainge
aserera vave kunzwa zviri nane asi
nhururu hadzina kumira. "Shumba
ngatitwasanudze makumbo
takananga kumatanga uko," anodaro
Dzivo achisimuka pachigaro. Vaviri
vakadungamidzana vachikurukura
havo ndokudarika nepamatanga
vachitarisa mombe. Vakadzira zasi
seri kwematanga havo pfocho
pfocho vopinda muchisango chaive
pedyo nematanga avo. Havana kure
kwavakaenda Dzivo achibva atonona
ndokutanga kufukura mudzi
wekamwe kamuti nebakatwa rake.
Uyu Mugadzaneuta ainge
akangoyeva hake semunhu aisaziva
chinangwa chavainge vapindira
mudondo umu. Achipedza izvi Dzivo
akabva atoti zvakanaka vaviri
ndokudzoka havo kumisasa yavo.
Dzivo akatora midzi yake iya
onyatsozunza ivhu teverere okanda
pamarasha aainge akwevera kunze
kwechoto. Yakatanga ichafanza
midzi iyi dzamara yapera mvura
dzose ndokutanga kutsva yosviba
kuita tsito. Akaitora ndokutanga
kuitswanya-tswanya dzamara
yatsetseka sedota. Dzivo akasimuka
ndokubuda mudare chiriporipotyo
akadzoka akabata mukombe une
mvura. Akazanganisa
ndokuzvikurunga pamwechete
achibva ashapira kamwechete.
Panguva yese iyi Mugadzaneuta
ainge akangoyeva mumwe wake
achiita zvinhu zvake. Dzivo aiti kana
atanga nyaya dzemidzi idzi
aisatombobufura kana shoko
rimwechete zvaro. "Shumba tsungisai
shaya muite huro nhatu chete
musateerere kuvava kwazvo."
Anodaro Dzivo achigashidza
Mugadza mukombe uya akamutarisa
kumeso. Mugadzaneuta akatambira
ndokuita sokurairwa kwake pashure
ndokudzosa mukombe uya kuna
Dzivo. Muchinda uyu akaita
zvimwechetezvo saMugadza
ndokutsveta mukombe uya mujinga
memadziro edare. Nenguva isipi
vakomana ava vakange votonzwa
kurerukirwa mumatumbu avo
vatodzoka pemazuva ese.
Mugadzaneuta akakangwa mate
mukanwa zvikuru nemaziviro ainge
achiita Dzivo mishonga. Hongu
aimuziva ari munhu wekuchera midzi
pano nepapo kwete zvekubva
atorapa ipapo ipapo seizvi.
Akazongoti zvimwe ndezvemeso
muromo zvinyarare. Musi uyu hakuna
kwavakaenda nekuda kwemhepo
yaNyamavhuvhu yaivhuvhuta.
Raingova guruva muswere wese,
nokudaro vakaswera vagere
nemadzimbuya avo vachikurukura.
Nerimwe divi mumuzinda,
rungwanani ngwanani rwezuva irori
Budzi akabuda pamisasa vanhu
vasati vamuka. Haana vazhinji
vaakaoneka kunze kwemauto ake
anomuchengetedza misi yose.
Akangovataurira kuti zvezuva iri
aisada zvekurindwa aida
kumbofurwa nemhepo ari
mumasango achishava. Mauto aya
akanzi asare akarinda misasa
nevamwe vasawana wavanotaurira
nezvake. Neiwaya mashoko akabva
atora gwara rekudumba raTsvoti.
Akati achingoti muruvanze nyengu
akatambirwa nemagwiriri zvekuti
akatombofungira kuti paiva
nenguruve yakavanda mugwenzi.
Chinhu chakamushamisa ndechekuti
magwiriri aya aibuda mudumba
raTsvoti. Akabata bakatwa rake
muruoko zvine simba ndokuti gonhi
bherengende ndiye mukati ngori.
Akaridza tsamwa achiona Tsvoti
akavata semushakabvu apo
akashama muromo rute
rwuchingoyerera nedama zvichienda
kunzeve. Budzi akaita Tsvoti
wekukava negumbo kuti achimbidze
kumuka. Murume uyu akapatika
kuhope achiridza mhere ndiye panze
dhugu otoita ushamwari nemhepo.
"Tsvoti iwe mira, ko wave kutizei
zvekare?" Akadanidzira Budzi
achitevera shure achinyaradza Tsvoti
aingokwamatata kuchema. Tsvoti
akatozomira anzwa kuti izwi
raimudana raiva raBudzi ndipo
paakazorangarira kuti aiva nerwendo.
Budzi akatadza kuzvidzora
ndokuoma mbabvu nekuseka
humbwende hwaakange aratidzwa
nemumwe wake uyu. "Unodirei
kudaro Budzi wandivhundutsa
zvakanyanya ndivete ufunge. Izvezvi
ndanga ndotofungira kuti zvimwe
ndivana Mugadzaneuta vandipindira
voda kundipedzisa." Anodaro Tsvoti
agara pasi achitura mafemo dikita
richiti teu-teu. Pachinhambo
chekupindura Budzi akatowedzera
kupwipwinyika zvekunzwa mbabvu
dzorwadza. Mushure mechinguva
vaviri ava vakazosimudzira
votangana narwo rwendo rwavo.
Vakange varangana kuti
vambonopinda muna Gwamhara
vokumbira midzimu kuti vawanewo
cheuviri. Vari munzira kuenda Budzi
aingunopishana nemifungo yakasiya-
siyana. Akatanga kuzvibvunza kuti
nekutya kwese kwaiita Tsvoti simba
rekuuraya mbada akange ariwana
kupi. Kuwedzera gumi pazana,
zvainge zvaiitika nezuro kumakura
pavakasangana nana Mugadzaneuta
zvakamusiya aine kusagadzikana
mumoyo make. Chinhu
chakamurwadza zvakanyanya inyaya
youmhare hwaMugadzaneuta
naDzivo vezera rake. Haana
kuzvitambira zvakanaka kuti vamwe
vezera rake vakange vatova
hombarume iye pachake asati
ambopinda musango. Akazviudza
kuti aifanira kuita savamwe
vakomana kuti agone kuzomisidzana
navo mune chipi nechipi zvacho.
Mumifungo yake iyi haina kudzorera
shure rwendo rwavo kwete. Sezvo
Tsvoti aiziva nzira dzaidimbudzira
vakakasika kupinda muna Gwamhara.
Nekuda kwemhepo yaiveko musi uyu
zvakavanetsa kuti vasvike pedyo
nemhuka. Dzaingonzwa hwema dziri
nechekure kuti paita chikara dzobva
dzatiza neupenyu hwadzo. Izvi
zvakashungurudza Budzi nekuti ainge
akatarisira kuti zvaive nyore
sekutaura kwaTsvoti. Mushure
mekutenderera kwenguva refu
masango achingova matema,
vakagara pabvute vachitura befu.
Sevanhu vainge varukutika
vakakaruka vanyangirwa nehope
ndokuvahwetura. Vakazopepuka
zuva ratorereka nguva dzafamba
zvikuru. Vakaita chipatapata kutora
zvombo vopinda mugwara
rekumuzinda. Zvino nyoka
dzemudumbu dzainge dzisisina
zororo dzochema sehuku yatorerwa
nhiyo neruvangu. Vakafamba vachiita
zvekungo chowaira vasisateveri
gwara. Vakati fambe zvishoma
ndokuerekana vasangana nemhara
dzaito zvifurira zvadzo. Vaviri ava
vakatanga kuita makakatanwa kuti
anobaya ndiani. Vakatadza
kuwirirana nokuti vose vaida kunzi
hombarume, hapana aida kunzi aita
mucheka dzafa. Vese vakatora
miseve vobairira pauta kuti
vachipfura zviya zvemakundano.
Mhere-mhere yavakaita iyi mhara
dzakabva dzasimudza misoro
mudenga dzoringa mativi. Pavakanoti
varegedzere miseve mhara dzikati
wakatisiya pano rini, ndiye kwaku
kwaku dzichienda. Vakasara
vakangoshama miromo sezvinonzi
vaona mashura masikati machena.
Vakazosara vosvika kumuzinda
pasina kuwirirana, kana nenyaya
pakange pasisina. Budzi akange
ofamba ari mberi pakati pavo paine
nhanho dzingasvike gumi neshanu.
Nekuda kwekutya Tsvoti haana
chaakataura kubva kuna Gwamhara.
Chinhu chikuru chaaitya kuwedzera
kutsamwisa mwana wamambo.
Vakaparadzana Budzi onanga
kumisasa yababa vake uyuwo Tsvoti
onanga kudumba rake pasina
kuonekana. Budzi akasvika kumisasa
kusina chakanaka mambo
Mabharivari vachidya mavhunze.

CHITSAUKO 10
Vainge vaswera vakadumbirwa
nekuda kwekusaonekwa
kwemwanakomana wavo kubva
mangwanani ezuva iri. Mauto aiita
basa rekurinda Budzi akaoneswa
chakati tende namambo.
Vakamboedza kutsanangura kuti
vainge vadziviswa naiye Budzi wacho
kuti vasamutevere, asi zvakashaya
nzeve dzinonzwa. Ishe vaitowedzera
kuvira nehasha nokuti varume ava
vainge vakoniwa basa ravo. Dzimwe
nguva dai vakaziva kwainge kwaenda
Budzi zvaigona kureruka kuti mamwe
mauto amutevere vouya naye kudare.
Zvino apa nyaya yainge yaomera
pamutanda nevanji washe ainge
asiya asina kutaura kuti ainangepi
uye nani. Varume ava vakaswera
vakasungirwa pamatanda
vachirakashwa zvakaipisisa netyava
dzemiswe yembongoro.
Vakavimbiswa kuti zuva rikangovira
Budzi asina kuonekwa ivo nemhuri
dzavo vaizogurwa misoro musi
wakare. Vamwe varume nemajaya
ane chitsama vakaswera
vachimberereka nemuzinda kutsvaga
mwana wamambo wavaisaziva
kwaainge ananga chaiko. Vamwe
ndivo vaingofamba vachidanidzira
zita rake vachiitira kuti kana
akavanzwa aizodavira zvikavaitira
nyore kumuona. Makwenzi
akaoneswa chitsvuku mamwe
achisara akatyorwa vanhu
vachivhendenyura kutsvaga Budzi.
Misasa yese yakapoteredza muzinda
yakagwedebudzwa vanhu voita
sekunge vanotsvaga nhiyo yehuku.
Kwese uku kwakava kuvaraidza
nguva kuteya nzou neriva. Havana
kuona kana nematsimba aBudzi kuti
ainge ambofamba nekupi chaizvo.
Havana kana nekutonzwa chero ani
zvake ainge amboona mukomana
uyu zuva rese zvaro. Varume ava
vakadzokera mumisasa kuti
vanotaurira changamire wavo kuti
kwakaenda imbwa ndokwakange
kwaenda tsuro. Umwe wamachinda
akatsanangurira ishe kuti vainge
vavhendenyura makwenzi nemisasa
asi vakashaya kana nedzimba
raBudzi. Haana kuzomboenderera
mberi nerondedzero yake murume
uyu akakaruka amharwa nayo
hwandamakwakwa yenduni
nepachipfuva. Akatatarika ndokutozo
batwa nevamwe vake asati
apunzikira pasi. "Mwana wembwa!
Unomira pamberi pangu uchihukura
unoti ndiri pakuita je-e newe here
pano." Vakange votobvunda
vachipupira furo pamuromo
neshungu changamire Mabharivari.
Rombo rakanaka ndiye chipanga
mazano wavo VaChitsama aiva
pedyo vakatozobata pfumo. Vakange
votoda zvekubaya chaizvo
changamire nokuti pana nevanji wavo
vakange vasina je-e nemunhu. Izvi
zvaidaro nokuti ndiye akange ari oga
mwanakomana wavo aizosara
achitora nhaka yedzinza ravo.
"Samanyanga chiregai kuita chinya
chegurwe rinogura makumbo
nehasha." Vanodaro VaChitsama
vachiuchira pamwe nekudzoreredza
mambo vakange vachenuruka
muromo nehasha. Harahwa iyi ndiyo
yoga yaigona kudzora ishe kana
vachinge vasvika panguva yakadai.
Sachipangamazano vakatoona kuti
machinda aya arambe ari pamberi
pedare zvaitowedzera kubaya moyo
washe. Naizvozvo vakaraira varume
ava kuti vadzokere mumasango
vasimbirire kutsvaka Budzi kusvika
vamuwana. "Kana musina kuwana
mwana wangu pano musadzoka
zvenyu!" Vanodanidzira mambo
nezwi raive rizere hasha zhinji
kwazvo. Mauto ose aiva padare
akangoti dzvamu ndokumhanya
nemativi akasiyana-siyana.
"Changamire wangu muti mukuru
kupinda yose, rwizi rukuru
runokungurutsa zvose nemabwe.
Ndinoziva matsamwa zvikuru
nemaitiro emauto enyu aya, asi tose
tinoziva kuti kutadza ndekwedu
vanhu. Hamufanire kubva matonga
nedemo musati maziva chikonzero.
Zvichida mukomana wedu uyu abuda
nevezera rake vachimboona muzinda
wedu uyu. Izvo zvakamunakira
chaizvo kumbopota achifamba oga
semunhu achatungamira vanhu
mangwana anofanirwa kuita ushingi
kwete kugara ari munhu wekurindwa.
Hazvina kururama kuti munhu
wemurume abve aisa hupenyu hwake
mumaoko emumwe murume."
NdiVaChitsama vakazosara
vonyengetedzana pamwe
nekuonesana namambo kuti
vasatungamidza hasha mberi.
Muswere wese mambo havana kana
kuisa mvura zvayo mumukanwa
nekuda kweshungu. Panguva
yakazosvika Budzi kumuzinda
awakawana baba vake vakapfeka
chiso chembada chaicho.
Akatambirwa nezwi raive rizere
ukasha zvinova zvakamuvhundutsa
kwazvo. Kwakange kuri kutanga
kunzwa izwi rababa vake riri
pamusoro zvakadaro kubva
achiberekwa. Iye pachake aiziva kuti
baba vake vaiva nehasha dziri pedo
asi haana kubvira akadziona pauso
hwake. Akatombomira ari nechekure
abatwa nekutya kukuru. Pfungwa
dzakange dzave kutopishana kuti chii
chaizvo chainge chaitika pamuzinda
zvaakange asipo. Akamboda kuedza
kubatanidza zvinhu mumusoro make
asi akazvikoniwa. Mukomana uyu
akange asingade kutarisana nababa
vake vaine chimiro chakadai ichi
nokuti chaisaenderana nemagariro
ake aaida pachake. Haana kuzoda
kusvika padare akabva atorurama
kumisasa yaamai vake uko
akasvikonomira seri kwemba
ofungisisa. Budzi akazovhunduka
abatwa pabendekete neruoko
rwakanyorovera. "Nhai mukoma muri
kubvepi husiku huno muri mega?
Izvezvi baba vari kudya marasha
kudare uku nenyaya yenyu. Amai
havana kana chavakanda parurimi
muswere wezuva misodzi iri
pamatama." Uyu ndiRuramai
aingunotaura nezwi rakatsetseka
kunge mvura yechitubu. Budzi akaita
zvekuvhundukira achinyururwa
mudziva rendangariro raainge
azviwisira. Haana zvizhinji
zvaakapindura kunze
kwekungonyemwerera
achimbundikirana nehanzvadzi yake.
Vaviri ava vakananaidzana vopinda
muimba yaamai vavo VaMaidei.
Mumwe wemauto anorinda kumisasa
uku paakaona Budzi, akaita
ushamwari nemhepo akananga
kudare. Akasvikonoti tumbi pamberi
pamambo mudare imomo asina
kumbotanga nekuvasuma.
"Kwakanaka here kwawabva uko,"
vakadaro VaChitsama vachiratidza
kushamisika nemaitiro emuchinda
uyu. Iyewo akaziva kuti ainge aresva
pakupinda mudare asina kusuma
naizvozvo akatanga kuombera
nekukumbira ruregerero. Pedzezvo
akabva ataurira mambo nezvekusvika
kwemwanakomna wavo mumuzinda.
Asati atombotsanangura zvizere ishe
vanobva vaita kukwakuka kubva
pachigaro chavo vachinomira
pakadaro apo. "Wati kudii, aripi Budzi,
wamuonepi?" Yakanaya mibvunzo
muchinda uyu ndokushaya kuti
otanga kupindura upi chaiwo.
Akazorondedzera zvese hake patova
paya achibva azobuda mudare
odzokera kwaairinda ari. Mambo
havana kuparadza nguva vakabva
vatobuda naVaChitsama nerimwe uto
raivarinda vonanga kumisasa
yaVaMaidei. Changamire vakangoti
vachiisa meso avo pana Budzi
vakabva vatomutema nayo mibvunzo.
Chambwe akangoti kwanyanu pabwe
raainge agere ndokumira mberi
kwevamwe vake akabata zvombo
zvake mumaoko. Akatanga nekutura
befu ipapo meso ainge atsvuka kuti
piriviri semhiripiri ndokuchitanga
kutaura. "Ndine urombo nenyatwa
yatasangana nayo varume iyi.
Hapana ange akazvitarisira kuti
zvichafamba negwara rakadai.
Midzimu yatirasa kusvika pakutirega
tichiperera mukati mesango kudai.
Zvisinei isu tave kufanira kusunga
dzisimbe uye tibatane tiite chinhu
chimwechete. Tichibva pano tose tiri
kunanga kumuzinda, kuwana anenge
aita zvemusoro wake inofa kwake."
Anodaro Chambwe achigadzirisa
nduni yaive yakarembera muchiuno
make achibva atendeuka otarisa
gwara rekumuzinda. Vamwe vose
hapana akazoudzwa zvekuita
vakangoti vose dzvamu ndivo
dungwe rongondo vakananga
kumuzinda. Varume vose vachinzwa
shoko rekuti vakange vave kudzokera
kumuzinda vakanyevenuka mukati
memoyo yavo. Zvemuna Cherukato
izvi zvakange zvavagura kunorira,
hapana akange achada kuramba ari
mugwindingwi iri. Varume ava
vakayambuka Mavhaire Chambwe
naZengu vakatungamira. Musi uyu
hazvina kuvaitira nyore kufamba
nekuda kwenyama dzainge
dzakarukutika uye kutya chaiko.
Vainge vasina kuzorodza miviri
zvakakwana kubva zuva ravainge
vabva kumuzinda. Nzara ndiyo yainge
yavabaya zvikuru nekuti vakange
vapedzisira kubovera musi
wavapinda muna Cherukato.
Vakazvimanikidza kufamba
kwemutunhu ndokuchitanga kunzwa
tsoka kurwadza. Vamwe ndivo
vakange vazvimba makumbo voita
ekuzvuva, asi wekuudza pakange
pasina. Vakamboshingirira dzamara
vaona kuti hazvichaita ndokubva
vambogara pasi kuzorora vari
mujinga mechikomo. Zengu
akatorana nemamwe mauto gumi
ainge achakagwinya ndokupota
neseri kwechikomo. Vakafamba
vakaparadzana asi vari pedyo
napedyo. Vakangoti fambe
zvishomana umwe wemauto achibva
adeedzera nezwi riri pasi kuti,
"iripano." Sevavhimi vese vakabva
vatoziva kuti pane mhuka yainge
yaonekwa. Pasina kuparadza nguva
vakabva vangonanga divi riya
vakatogadzirira miseve nechekare.
Yakange iri nhoro yaive ivete pabvute
ichidzeya zvayo. Chiriporipotyo
vaikomba nhoro iya ndokusiya gwara
rekuti kana ichinge yotiza inange
nekuchikomo. Izvi vakazviitira kuti
kana ikange yavapunyuka
yaizonozviwisira kune mamwe mauto
seri kwechikomo ikoko.
Vakakwekweterana magangauta
ndokuregedzera miseve ichisvikoti
zete mimwe napadumbu mimwe
mumusoro chaimo. Nhoro
yakavhunduka ndokukwakuka
mudenga asi kwakange kwatovawo
kutandadza hakuna kwayaigona
kuenda. Nhoro iyi yakange ine gumbo
remberi rainge rakatyoka ichirwa
nedzimwe naizvozvo kumhanya
yakange isingagoni. Vana Zengu
vachiona izvi vakati midzimu
yakombora vakamanyidzana
vakabata mapfumo. Murume uyu
akasvikoti pfumo rake dyo-o
pachikotsi-kotsi, yakazosara yoti pfau
pfau tasa vakomana votovhiya kare.
Nekuda kwemaneto varume ava
vakaona zvisina kufanira kutakurana
nenyama kudzokera kwaive
nevamwe. Vakatoti mvura
yakanakisa ndiyo inonwirwa
pachitubu, naizvozvo vakadanidzira
vamwe vavo kuti vabve vangodyira
nhoro iyi panzvimbo. Chambwe
nevamwe vake vachinzwa muridzo
vakaita chipatapata kupota seri
kwegomo vachida kunoona kuti
kwakange kwaitikei. Pakumhanya
kwakaita varume ava
hawaizomboziva kuti ndivo vaya
vekuzvimba makumbo. Imwe nyaya
yakavapa ushingi yaiva yekusada
kusarira shure. Vakazosvika vana
Zengu vavekutopedza kuvhiya
vamwe vachisika moto. Vakaita
muonera pamwe vamwe vachitsvaka
huni pachibva paveswa zhenje
remoto.Yakavedzengwa vamwe
vachigocha zvishava, mupfumo
weguru nechiropa. Vakadya
vakadzamara vangoitarisa matumbu
asisachagone zvino. Zhinji yainge
yasara vakasasika midzonga kuti
idonhe ropa. Vakazoswera vagere
vachizorora kuti vawane simba
zvakare vagosimudzira nezuva
raitevera racho. Zuva roda kunovira
mamwe mauto akafamba achitsvaka
miti yekuzokwira kana kuchinge
kwadoka. Zuva richinovira Chambwe
akabva atovati vachitakurana
nemidzonga vaende kunokwira
mumiti zvikara zvisati zvatangisa
kufamba. Husiku hwese hakuna
akadzikotsira nekuda kweruzha
rwemhuka dzaive pasi pemiti
dzichinzwa hwema. Vaingoona meso
kutaima sezvitai tai mapere achizeya
nemiti. Rungwanani ngwanani
vakaruvamba rwendo parizvino
vainge vave nesimba, vokanda
nhanho. Mhepo yaiveko musi uyu
yainge yakawandisa asi nekuda
kwemiti guruva rainge riri shoma.
Zuva rakazosara rorova nhongonya
vachibudawo muna Cherukato.
Vakanozorora kumafuro emombe
vachitsvaga mvura yekunyautsa
pahuro painge paomerwa
nekutsengera chimukuyu.
Vakazosvika kumuzinda kuchangoti
zvarara, vazhinji vachibva vanzi
vaende kumisasa yavo vozomukira
kudare rechimangwana. Chambwe
naZengu vakangorurama kumisasa
yashe kunovapira kuti mafambiro
avainge vaita. Ishe vakange vari
mubishi kubvunza Budzi kwaainge
aswera ndokukaruka vonzwa gusvi
neizwi ravakaziva. "Tisvikewo
Samanyanga," akadaro Chambwe
amire panze pedare. Akadairwa
nerimwe gurukota raiva mudare umu
roga. Zvakamunetsa kuti ko
changamire vaive kupi panguva
dzakadai idzi. Akabvunzana
mutonhoro nejinda iri pashure
ndokuudzwa kuti ishe vaiva kumisasa
yavo. Akaraira jinda iri kuti rizivise
ishe kuti mauto ainge adzoka
vaizouya padare mangwanani
aitevera. Panguva yaakange ave kuda
kubuda ishe vakabva vapindawo
vakadungamidzana naVaChitsama.
Hapana zvizhinji zvakataurwa
nevarume ava sezvo Chambwe aida
kuzorora naizvozvo vakazongosiira
nyaya pakuti vaizokurukura
kwakachena. Machinda aya
akarurama kumisasa yavo uko
vakangosvika nekurovera matama
pasi. Mambo havanawo kutandara
musi uyu vakabva vatonorarawo
semunhu ainge aswera aine bundu
mumoyo.

CHITSAUKO 11
Nyangwe zvavo vakadziviswa
kubvunzisisa jaya ravo nekusvika
kwemauto avo, vakatoti Budzi
vaizogara naye pasi nezuva raitevera.
Iyewo Budzi akasara achiti midzimu
yakombora. Baba vake aivaziva kuti
kana vakatsamwa havatarisike
kumeso. Akazosara otaurwa naye
naamai vake avo vakamukurudzira
kupota achifamba nevarindi vake
nguva dzose. Vakaenderera mberi
vachiti imba youmambo inogara ine
mhandu zhinji nokudaro havazoziva
pavanopingwa napo. Mukomana uyu
akangogutsura musoro asi pasi
pemoyo wake akazviudza kuti
haaizomborega kuita zvaanoda.
Zvose izvi zvakange zvichibvira
pamashoko erairo ababa vake
avakamupa vagere mudare. Imwezve
nyaya yaiva yekusada kukundwa
umhare nevakomana vemazera ake
vakaita sana Mugadzaneuta. Akaziva
kuti hushingi hunotoshandirwa
haumbouya hwega sehope,
naizvozvo aitodisa kushanda
nesimba. Changamire Mabharivari
hope dzakaramba kubata
ndokuedzerwa vakavhura meso
kunge hove. Vaiva nezvizhinji
zvaivadya moyo, pfungwa
ndokushaya zororo.
Rungwanani zuva rakazosara roti vhu
-u kubuda ishe vatova padare
vachimirira machinda avo. Chambwe
naZengu vakatoshamisika kuwana
mambo vatova padare panguva
yavakasvikapo. Varume ava vainge
vauya kuzopira mambo wavo manenji
avainge vasanganana nawo
kwavakange vaenda. Vakamutsana
pamwe nekubvunzana dzehope
namambo pashure ndokugara havo
pasi vachimirira mamwe makurukota
kuti asvike. Makurukota aisvika
padare rumwe rumwe dzamara
vakwana vose. Vamwe varume
vakange vave kutodadashurana
nechimukuyu mangwanani iwawo
vachimutsa nyoka dzemudumbu.
Ishe vakatadza kana kuisa nhindi
imwechete zvayo mumuromo
zvichibvira nemudongo-dongo
wekuda kunzwa kuti zvakafamba sei
kuna Cherukato. Mudare akange ari
mahon'era vanhu vachikurukura havo
vachimirira nguva yekuparurwa
kwenyaya yekuna Cherukato.
Panguva yese iyi mambo vainge
vagere pachigaro chavo ruoko
rwakabata shaya, pfungwa dziri kure-
kure. Mushure mechinguvana
mambo vakazobvunza Chambwe kuti
aida kuzovhiya chidembo chake kana
zvichinge zvazodii nokuti nguva
dzakange dzichitodyana. Jinda iri
rakaziva zvainge zvarehwa namambo
ndokuti kwanyamu paainge agere
achiuchira maoko. Mamwe
makurukota akatanga kuuchirawo
pamwechete naye, iri nzira
yekuremekedza dare. Vachipedza
kuuchira murume uyu anobva
agadzirisa pahuro kuti izwi
risashoshoma ndokutangisa kutaura
akatarisana namambo. "Pamusoroi
changamire wangu, makurukota ose
ari muno nevari pasi. Samanyanga
ndamirawo pauso hwenyu
ndakamirira mauto emumuzinda uno.
Muchiona ndakamira pano kudai ndiri
kunzwa kutya uye maziso azere
misodzi nengwavaira
yandakanosangana nayo musango
mandakange ndaenda nevamwe."
Akambomira achitura mafemo
pamwe nekupukuta misodzi yainge
yongoerera nematama. Chambwe
akadedemura zvose zvakaitika kuna
Cherukato pasina chimwechete
chaakasiirira. Akazosara opedzisa
rondedzero yake varume vose
vosvimha misodzi pamwe
nekudzungudza musoro. Zvainzwisa
urombo kuti hama dzavo dzainge
dzaparara zvisina tsarukano
mugwindingwi Cherukato. Mambo
nemakurukota vakakangwa mate
mukanwa kushaya nerimwechete
rokudavidza. "Zvinoreva kuti gadziriro
hadzina kufambisirwa mberi
sepamarongero ako," vanodaro
mambo vachidzungudza musoro.
Murume mukuru akabata rushaya
ofunganya chikonzero chingaita kuti
zvinhu zviinde musango kudaro.
Nenguva isipi ishe vakabva
varangarira mashoko aNhekairo
eyambiro musi waakauya padare.
Ishe vakatanga kupishanisa pfungwa
kukanganwa kuti vaive nevamwe
mudare. Vakatozovhundutswa
naChambwe akavazungunutsa
akavatarisa mumaziso chaimo.
"Changamire wangu ndinoziva kuti
mabaiwa panyama nhete, asi tinoda
zano rekuti tiende mberi kubva
kwamuri. Ini ndinoziva kuti muti
mukuru haukoniwe kuwisa mazhizha
pasi." Changamire havana kuda
kuvanza vakataura zvaiva
mupfungwa dzavo chaizvo. Zvakanga
zvisina chirevo chakanaka kuti
vadzimu varege ropa revana vavo
richideurwa nemhuka dzesango ivo
vari mugadziriro dzehondo. Varume
vaviri ava vakakurukurirana vachiita
sevaiva vega mudare vamwe vose
vanyerere senhiyo dzaona gondo.
Chambwe akatsungisa mambo kuti
varege kuzvidya moyo nokuti iye
akange asati akundikana zvekukanda
zvombo pasi. Akaenderera mberi
achiti aizonoparadza Tsindikwa
nemauto mashoma ainge asara
nevamwe vainge vasina kuenda
kugadziriro pakutanga. Mashoko
ejinda iri akanonyevenutsa moyo
wamambo ndokuwedzera kuisa
vimbo yavo paari. Mashoko
aNhekairo ayo ainge achitenderera
mumusoro mavo mambo vakabva
vachimbidza kumabvisa vachiti
havaidzoserwa shure nezvinhu
zvisina maturo. Zvekupamba izvi
ndiwo wakange uri musimboti wavo
kubva nekubvira saka
hazvaizomboda kuremera pana
Tsindikwa bodo. Mumuzinda
makangoitwa zuva rimwechete
rekuchema vanhu vainge vapararira
musango zvichibva zvatodarika. Musi
uyu mudare makakurukurwa
dzakasiyana nyama ichitsengwa uku
vachidzakisira nehwematanda uho
hwaigara hwakabikwa kuti makate
ekudare rashe asambofurwa
nemwando zvachose. Chambwe
naZengu vakazooneka vobuda
mudare vachiti vanoda kunozorodza
miviri yainge ichiri kudzimba.
Vakabuda ndokusiya ishe nemamwe
makurukota vachizeya dzimwewo
nyaya dzemuzinda. Vakanoti
vachisvika pamisasa yaChambwe,
vasati vatombogara pasi, Tsvoti
anobva atiwo vhuu pachivanze.
Yakange yatova nguva yerudziya
kamwe, Mugadzaneuta ainge agere
pabvute achivezera mbuya vake
mugoti. Muchinda uyu aitoimba rwiyo
rwerudo achigurudzira nemuridzo
achiratidza kunakidzwa nezvaakange
achiita. Anokaruka onzwa izwi
rambuya vake richimudana
zvairatidza kuti vakange vanguva
vachidanidzira. "Nhai Chamakanda
wangu nzeve maisepiko zvandabvira
kare ndichidanidzira musingadavire?"
Vakabvunza mbuya vachiseka havo
mavhundukiro ainge aita muzukuru
wavo. "Ndine urombo mbuya handina
kunge ndanzwa kudana kwamaita
nguva yose iyi ndanga ndichitoimba
zvangu rwiyo rwamakandidzidzisa
rwuya. Vaviri ava vanosekedzana
zvavo mbuya vave kutoti muzukuru
wavo avashaurire vanzwe kana achiri
kugona. Vakadunganidzana
vakananga kuimba yokubikira
Mugadzaneuta achishaura mbuya
vake vachidaira zvaitodakadza chose.
VaMusekiwa vaida kutaura
nemuzukuru wavo uyu sezvo
vakange vasingade kumuona agere
oga. Mugadza akapinda mumba
ndokusvikogara pachigaravakwati
ndokumirira mbuya vake kuti
vaparure yavakange vamudanira. "Ko
nhasi zvamunenge mungori mega
mukati kwakanaka here nhai Mhazi?
Vakabvunza VaMusekiwa
vachiratidza hanya nemuzukuru wavo.
"Kwakanaka mbuya ndati regai
ndikugadzirirei mumwe mugoti sezvo
mumwe uya waikwana mutsaiya
yenyu diki iya wakatyoka. Panguva
iyoyi ndinenge ndakamirira Dzivo
amukira kumakura kunocherera
mbuya vake ivhu rekuumbisa hari.
Mbuya vaDzivo vakange vari nyanzvi
mune zvekuumba izvi. Vaigadzira
mhando dzose dzehari kubva
kupfuko, hadyana netsaiya zvekuti
hapana aigona kumisidzana navo
pakugadzira midziyo iyi. Mumuzinda
umu vaitozivikanwa kuti kana munhu
achida hari dzamandorokwati
ainogadzirirwa nechembere iyi.
Chakaita Mugadzaneuta asaenda
naDzivo ndechekuti muviri wake
wakange usati wasimba chaizvo
zvekutakura zvinorema. Dai kusiri
kudaro basa iri raiva nyore vaita
rekugamidzana. VaMusekiwa
vakagutsura musoro vachiti ose aiva
machena nokuti vakange vasina
kujaira kuona muzukuru wavo ari ega
kwenguva huru kudaro. Mbuya ava
vakakosora ruviri ndokupfira gararwa
muchoto pashure ndokuchiiparura
nyaya yavakange vadanira muzukuru
wavo. "Inzwa ka muzukuru wangu,
nyaya yandakudaidzira pano idoko
kwazvo. Ndinoda uzive kuti kushaika
kwangu hakutadzise chiutsi
kupfungaira mutsaka muno. Musha
wasekuru vako haungaparare iwe
mudyi wenhaka uripo. Zvinondifadza
kukuona uine mufaro nguva dzose
uye kubatira pamwe nevamwe.
Hauzikanwe musi wandichakufuratira
ndichienda kunyikadzimu nokuti
nyama dzaneta idzi zvaunoona
ndakadai. Nyaya huru ndeyekuti
ndinoda usare wave nemuvaraidzi
waunozorezvana naye kweupenyu
hwako hwese. Nguva yako yekubuda
mugota yave pedyo chaizvo
naizvozvo ndinoda uvhure meso
nekuwongorora mhandara
ingakuchengetera musha. Nyika ino
izere tsvarakadenga
handingakunongedzere kuti nhonga
uyo kwete nokuti moyo muti unomera
paunoda. Vakuru vedu vakati chiri
mumusakasaka chinozvinzwira.
Chimwe chandinoda uzive muzukuru
kandiro kanoenda kunobva kamwe.
Usava nemunhu waunotarisira pasi
uye gara wakangwarira nekuti vanhu
vakangofanana nerwaivhi.
Panotaurwa nevakuru iwe gara pasi
wovhura nzeve uchikwapa mashoko
anovaka kwete kuva iwe muzivi
nguva dzose. Akubaira zanhi
ndewako muzukuru wangu,
usararame sekacheche kanoti
chakanhonga chese koisa
kumuromo." Vanodaro VaMusekiwa
vakatarisana nemuzukuru wavo uyo
aingogutsurira musoro kuratidza
kunzwisisa kwazvo. Hongu nyaya
yainge yataurwa nambuya vake
yainge yakanakisa kwazvo, asi
yekuenda kwavo kwamupfiganebwe
haina kumupinda zvakanaka.
Akazvidya moyo nekupishanisa
pfungwa kuti mbuya vake vakange
voda kufa here nematauriro avo aya.
Pfungwa dzake dzakamutenhera
mudziva rendangariro sare mutumbi
ugere wega pfungwa dzaenda
kwadzo. VaMusekiwa vakazviona kuti
muzukuru wavo ainge odzeya
mashoko ivo ndokubuda havo
vonogara muberevere remba.
Vakagara kwenguva huru
vachizorodza muviri zvavo vachinwa
mahewu pamwe nekununga zvuma
zvavo. Mugadzaneuta akazobuda
mumba patova paya anzwa muridzo
wemumwe wake Dzivo. VaMusekiwa
vakazosimuka pavainge vagere zuva
rorereka vave kunogumanidza huni
kuti vawane kubika chirariro.
Vakagadzika hadyana ine mufushwa
wehohwa uwo wavaida kukurungira
dovi rerupiza. Uku kwakange kuri
kudya kwaivadakadza chose nguva
nenguva vaidisa chose mabikiro aya.
Uyu Mugadzaneuta akangobuda
achitevera kwaibva muridzo waDzivo
asina kuraira kuna mbuya vake.

CHITSAUKO 12
Muchinda uyu akaziva kuti mumwe
wake akange adzoka kubva kwaainge
atumwa nambuya vake. Vaviri
vakasangana munzira
ndokukwazisana nemufaro sevanhu
vainge vaswera vasiri vose.
Vakakurukura kwenguva huru
vakomana ava Dzivo achitsanangura
mashura aakange asangana nawo
kwaiinge achichera ivhu rehari.
Muchinda uyu paaiva mubishi
kuchera ivhu rake akakaruka
anyukunura nyamafingu. Nehasha
dzekuvhiringidzwa nebadza nyoka iyi
yakabva yasimudza musoro
yotofunga zvekukobora Dzivo.
Mukomana achinoti ba-a kudai
akabva akanda badza pasi ndiye
chitsoka ndibatsire. Nyamafingu iya
yakabva yatiwo sona naye zvikara
zvomhanyisana zvichipinda
mumakwenzi nemuminzwa. Dzivo
achitiza aitofungira kuti zvimwe
chikara ichi chichangoshaya hanya
naye choendawo nedivi racho, asi
zvakaenda nepamwe. Akamhanya
kwechinguva achipota nemakwenzi
achitenderera munzvimbo imwechete.
Akatozoona kuti akaita mawara
yaigona kufa kwake ndokupota
nerimwe gwenzi achinhonga chitanda
chemurumanyama chainge
chichangotangawo kudyiwa
nemuchenje. Vanyoka vangu
pavakaona muvengi achimira
vakabva vati dzawira mutswanda
ndokusimudza musoro votonanga
pamupimbira vachida kukobora.
Ipapo Dzivo akange achitounzawo
danda zvine simba ndokusvika
richisanganidzana nechikara ndiye
forototo. Dzivo akatozogutsikana kuti
nyoka yafa mushure mekunge atoona
musoro wayo wasakanyuka
usisaoneke kwazvo achingoshanha
nemhonya. Akatombotura befu
pashure ndokudzokera kunochera
ivhu rake odzokera kumusha.
Mugadzaneuta akakangwa mate
mukanwa nechiitiko chakadai ichi
nokuti ainyatsoziva ukasha pamwe
neuturu hwakange hune mhando
yenyoka yaitsanangurwa nemumwe
wake iyi. Kuwanikwa kwayo muvhu
raicherwa iri hazvina kumushamisa
nokuziva kuti nyoka iyi zvichida
yainge yapinda muguru umu
ichidzinganisana nembeva kana
twumwe tupukanana. Tinotenda
vadzimu shamwari kuti haina
kuzokukanganisa nyoka iyi. Unofanira
kugara wakangwarira kana wave
kuchera rimwe ivhu zvekare."
Anodaro Mugadzaneuta achidairana
nemumwe wake ipapo anobva anzwa
izwi rambuya vake richimudana
kumisasa yavo. Muchinda uyu haana
kuzoenda naDzivo kwaaida kuenda
akabva atomhanyira kwaiva nambuya
vake kunonzwa kuti kwakange kunei.
Mugadzauta akashamiswa zvikuru
kuona Budzi nevachengeti vake
vakagara muberevere remba
yekubikira. Kwakanaka here
Samanyanga matitsikawo pano
pamusha kudai?" Akabvunza
Mugadzaneuta achiratidza
kushamisika nokuti aka kaiva
kekutanga kushanyirwa naBudzi.
"Kwakanakisa chose shamwari rega
hako kutya. Uchiona ndasvika pano
kudai ndine mashoko andinoda
kutaura newe kana wakasungunuka."
Akapindurawo Budzi achiratidza
kusununguka chose pachiso chake
zvinova zvakambonyevenutsa moyo
waMugadzaneuta. Muchinda uyu
akatura befu ndokuzonogara hake
pasi achiti Budzi avhiye chidembo
chake. Pakamboita chinguva
pakanyararwa Budzi achishaya kuti
otanga sei nyaya yake. Akazorovera
moyo kudombo semunhu wemurume
ndokuiparura yainge yamusimudza
kubva kumuzinda. "Uchiona ndakadai
Mugadza handina kufambira zvizhinji
hangu. Sekuzivikanwa kwazvinoitwa
muno mumuzinda medu kuti uri
mumwe wevakomana vane ushingi
uye unyanzvi mune zvekuvhima
nekurwa. Ini ndange
ndichikumbirawo kuti pamunoenda
kunokwasha mumasango
tigobatanawo nzira. Ndinodisa chose
kudzidza kubva kwauri kuti ndigove
murume pakati pevamwe varume.
Kutaura kudai zuro ndakaenda
naTsvoti kuna Gwamhara uko
mushure mekundinyengera achiti
ainge akauraya mbada akaivhiya
dehwe ndokuripa Chambwe.
Takaenda kuna Gwamhara kuya
takadzoka tiri maoko chete zvinova
zvakarwadza moyo kushayawo
chekuti amai vangu vanditendewo
nacho." NdiBudzi uyu aingunopira
nhunha dzake kuna Mugadzaneuta
uyo ainge akangoti kanha
nemashoko emuchinda uyu.
Akashaya kana neremuromo nekuda
kwezvaainge anzwa pamusoro
paTsvoti. Mugadzaneuta
akamborambisisa kutambira nyaya
yakange yauya naBudzi iyi achiti
zvakange zvisina kufanira kuti
vapinde vose mumasango.
Mugadzaneuta aisada
zvekuzopinzwa panyatwa namambo
achinzi ave kukanganisa nevanji
wavo. Mukuziva kwake uyu Budzi
akange asiri munhu zvekuvhima kana
kushandisa zvombo bodo. Vaviri
vakaita nguva huru vachikweshana
Budzi achinyengerera Mugadzaneuta.
Muzukuru waVaMusekiwa
akazobvuma pava pasipo mushure
mekunge Budzi agwadama pasi
achidemba demba. Akange
otosvimha misodzi mwanakomana
wamambo zvino Mugadzaneuta
ndokushaya manzvengero
ndokuzobvuma hake. "Zvakanaka
shamwari chirega kuchema, nyaya
yako ndainzwa asi ndichatanga
ndapira kune mumwe wangu
wandinofamba naye. Ndinozouya
kwauri nemhinduro parizvino
ungachienda hako kumuzinda rega
kutya tinobatsirana zvidiki izvi."
Anodaro Mugadzaneuta
achinyaradza Budzi pashure
ndokuwonekana nevanji odzokera
kumisasa yababa vake. Budzi
akatenda zvikuru mhinduro
yaMugadzaneuta nyangwe zvayo
yakange isina kujekesa divi rayainge
yakarerekera. Akava nevimbo yekuti
nyangwe Mugadzaneuta akaoma
musoro aizosvika pakubvuma chete.
Mugadzaneuta akabva avabudisa
vaenzi vake ruvanze. Haana kure
kwaakaenda navo akabva adzoka
oenda kunopfigira mombe dzainge
dzauya kubva kumafuro. Achidzoka
kumatanga akawana Dzivo
achitovesa moto padare vaviri
ndokugara havo vachikurukurina.
Vakakurukura kuswera kwavainge
vaita vasiri vese dzamara Mugadza
azopinzawo yekwaBudzi iya.
Zvakange zvisina chimiro kuti aite
pamafungiro ake oga asina
kunzwawo pfungwa dzemumwe
wake. Akadedemura nyaya yose
kusvika kumagumo ayo
ndokuzopedzisa nemubvunzo kuna
Dzivo. "Ndiwo mamiriro azvakaita
Bvumavaranda, ndisingazivewo kuti
imi munozvionawo sei?" Anodaro
Mugadzaneuta achikanda mudzonga
wenyama yenhoro pamarasha kuti
vawane kutsenga zvavo. Dzivo
anomboti dhuu kufunga pashure
ndokubvumira hake kuti Budzi auye
vabatane naye. Chakaita kuti
muchinda uyu achimbidze
kugamuchira ndechekuti nyaya iyi
yakange isina kureruka kana
nepaduku pose. Akaziva kuti
vakangoramba kubatana naBudzi
vaigona kuzopinzwa panyatwa
namambo naizvozvo vakangoita
zvido zvake. Zvichakadaro imo
mumasango mavaizopinda maida
kutongwarira nokuti kuwana
chaizoitika kuna Budzi zvaizonetsa
kutsanangurawo zvekare. Vari
mubishi rekukurukura pamwe
nekuseka zvavo, VaMusekiwa
vakabva vadeedza Mugadzaneuta
achibva angosimuka akananga
kuimba yokubikira.
Akasvikogashidzwa mbiya mbiri
yesadza neusavi ndokunanga nadzo
kudare. Musi uyu Dzivo akafara
chaizvo nokuda kwemuriwo wainge
wabikwa nambuya vaMugadzaneuta.
Mukomana uyu aifarira hohwa
zvikuru ipapo aiti kukabikwa muriwo
uyu ainyatsodya sadza akagadzikana
achinyatsoteerera nekwariri kuenda.
Vakasvusvura chirariro sare
vonanzva minwe pamwe nekukokota
mbiya kusara dzati mbembe kuchena.
Dzivo akakungura kuti dai aita rombo
rakanaka kuwana mudzimai ane
ruzivo serwe madzimbuya avo
panyaya yekubika iyi. Vakaseka zvavo
ndokubva vasimuka kuenda
kunotenda ambuya vavo.
Vakazongoti garei zvishoma
ndokunorovera matama pasi.
Muzuva raitevera rungwanani
ngwanani majaya anobheura sasa
regota ndokuti dhugu vakabereka
zvombo zvavo kumasana.
Vachingobuda vanobva vaita
mahwekwe naBudzi aitosvikawo
nevachengeti vake. Nenguva isipi
vainge varuvamba rwendo rwekuna
Gwamhara uko kwaitoda kukanda
nhanho. Budzi akafara zvikuru
nekutambirwa kwaakaitwa
nevakomana ava. Zuva richiti vhu-u
vainge vachipindawo muna
Gwamhara.Vakabva vatanga
kufamba vakaita rumwe rumwe
vakananga divi remaodzanyemba.
Vakati vafamba chinhambwe Dzivo
achibva aona tsuro yakavata
ndokubva abata tsvimbo yake
zvakasimba neruoko rwerudyi.
Akaitenderedza mudenga ruviri
ndokuiregedza ichisvikorova tsuro iya
nemumusoro chaimo uchibva
waparara. Akatozoudza vamwe
atoisa munhava zvinova
zvakashamisa Budzi aive pedyo naye.
Vakachifamba umwe wevachengeti
vaBudzi ndokuona mhara
dzichitofura dziri chinhambwe
ndokuudza vamwe. Mugadzaneuta
achibva atoti apa hatishaye dzedu
mbiri. Nenguva isipi vakatanga
kuhwanda nemakwenzi
vachinyangira dzamara vave pedyo.
Mugadzaneuta akazevezera Dzivo
ndokuti ini ndopfura iyo iri pakati
pedzimwe. Chiriporipotyo akabva
atora museve umwechete ndokubva
aupfira tumate ndokuti Nherera
naMhepo nditaririreiwo. Akaubairira
pagangauta ndokukwekweta
zvakasimba achibva ananga musoro.
Akauregedzera uchisvikoti nemuziso
zete uchibva wanobuda nekuseri
kune rimwe ziso. Dzimwe dzichiona
kuti pano paipa dzakabva dzati
mwanda imwe nekwayo. Iye
yekubaiwa muziso yakangosvetuka
isati yambonotsika pasi yainge
yaugadzwa umwe museve zvekare
naMugadzaneuta nemumutsipa
ndokubva yawira kwakadero. Dzimwe
dziri mubishi rekumhanya Dzivo
anobata pfumo rake zvakasimba
ndokukoka simba rake rose ndokuri
potsera richisviko baya imwe
nemudumbu. Ayawo mauto maviri
umwe akabaya gumbo reimwe
ichibva yangotiza nemuseve
umwewo ndiye akapotsa.
Vakamhanyidza kumhuka
Mugadzaneuta ndokuti kuna Budzi
atore bakatwa acheke huro ropa
ribude. Akaita nekuchimbidza
nenguva isipi vainge vasengana
neusavi hwavo vananga kumuzinda.
Vaifamba vachigavana sezvo
dzairema, Mugadzaneuta naDzivo
vainge vakabatirana mutumba kotiwo
vatatu ava vakabatirana imwe. Vakati
vosvika kumuzinda Dzivo ndokuti
varume chiendai neiyoyo
monoonesana mberi.
Chambwe naZengu vachisvika
pamisasa yaChambwe vasati
vatombogara pasi, Tsvoti anobva
atiwo vhu-u muruvanze. Haana
kupiwa nguva kana
yekutombokwazisana nevarume ava
nokuti vaimuziva kuti kazhinji nyaya
dzake hadzina maturo. Akabva atonzi
ataure zvaainge afambira pasina
kuparadza nguva. "Varume kubva
zvamakaenda kugadziriro handina
zvizhinji zvandakawana pamajaya
maviri aya. Ndiri kuramba
ndichivaronda pese pavanofamba asi
havasiyani zvachose vatori mukombe
nechirongo. Nerimwe remazuva
nevanji ndakasanga navo
tikafambidzana kunovhima asi
takadzoka ari maoko chete. Zvino
nevanji varikuda kufambidzana
nemajaya aya kupinda mumasango."
Akanyatsoti dyo-o pamongo wenyaya
yake Tsvoti asingambondandami.
Chambwe akanzwa kubitirirwa
nehasha dzeruvengo rwaaisamboziva
mhodzi yarwo. "Pwere idzi dzava
kuda kupinda nemwenje mudziva
zvino," anodaro Chambwe
achidzungudza musoro. Haana
zvizhinji zvaakazoda kutaura kunze
kwekutenda Tsvoti nemidzonga
mishanu yenyama. Chambwe
akakomekedza Tsvoti kuti arambe
akaisa ziso rake pamajaya aya misi
nenguva. Tsvoti akatendawo zvikuru
midzonga yaakange apiwa
ndokubuda chivanze nyemwerero iri
kugotsi. Chambwe akasara aine
bundu mumoyo nemashoko
akataurwa naTsvoti. "Zengu unoziva
majaya aya akada kutamba
nematope pasina mvura, mwaka uno
havaupedzi ndavapfuudza."
NdiChambwe uyu akange achinguno
paumba neshungu akatarisana
nemumwe wake. Zengu
zvakamunetsa kuti ko pwere idzi
dzakange dzatadzei pahuso
hwemumwe wake uyu.
Mugadzaneuta naDzivo vaizivikanwa
vari vanhu vasina bope nevamwe
vaidisa chose kugara murunyararo.
Chambwe akatoona kuti akaramba
achida kukakavadzana naZengu
yaigona kuzofa kwake azopiwa
mamwe mazano. Zvisinei akabva
atizira nedivi raaiziva kuti
haaizombokundwa naro. "Kana usina
chaunoziva nyarara Zengu, nokuti
Budzi akawana chinomuwana
kusango ikoko muzinda uno
haugarike sekuziva kwako.
Vakomana ava vakaramba
vachisimbirira kupinda nemwana
wamambo musango ndiko kuchava
kuguma kweraramo yavo. Zuro uno
vakauraya mbada saka vakasangana
nechikara nevanji angagona
kuzvidzivirira here. Gwamhara azere
nezvikara zvinorura zvekuti vana
vadiki ava havafaniri kuramba voita
dambetambe nesango iri. Zvinonzi
nevakuru dziva guru ideva kamwe,
hwepiri unowana ngwena
dzasvinura." Anodaro Chambwe
atomisa manganda huma yose
yototyisa kutarisa. Imwe nhau
yakanyanya kushatirisa Chambwe
ainge ava kutorerwa basa
rekudzidzisa Budzi zvombo. Zengu
anoshamiswa zvikuru kunzwa kuti
vakauraya mbada zvinova zvaasina
kubvira amboita muupenyu hwake.
Nyaya yekuva panjodzi kwaBudzi
yakange yakakura kwazvo, naizvozvo
akabva atoti kuna Chambwe
vakomana ava vaifanira kumiswa
tsika iyi vasati vaenderera. Chambwe
anogutsura musoro mumoyo make
achiti hauchiona manje ndiko
kuronga pachirume ikoku.
Vakazoswera vokurukura zvekuenda
kuno pamba upfumi kunyika yashe
Tsindikwa. Vakawirirana kuenda
kunyika iyi mumazuva maviri
ayitevera. Zuva richinodoka vakabva
vasimuka vodungamidzana
vakananga kudare kuti vanopira ishe
miono yavo. "Bu....bu..bu...bu...!"
Varume ava vanorova gusvi
vachipinda mudare umo maingove
naivo mambo naVaChitsama.
Vakakwazisana, nyaya ichibva
yakandwa mudariro kuti izeiwe.
Mambo vachinzwa urongwa
hwekufambira mberi nenyaya
yekuvandudzwa kweupfumi moyo
wavo wakafara. "Chambwe
unondipasa manyemwe, maitiro ako
chaiwo anofadza moyo wangu.
Chinzwa ka mangwana ndinoda
mubate zinzombe riya dema mauto
awane chekufamba achitsenga
parwendo," vanodaro mambo
vachiratidza kufara. Pese
paingunotaurwa nyaya iyi
VaChitsama havana kufarira
marongerwo aive ayitwa namambo
nemachinda avo. Harahwa yakaona
kuri kuzvisikira moto muziso sezvo
mambo Tsindikwa vainge vasina
kubvira vaita zvehondo kubva
vachigadzwa pachigaro. VaChitsama
vakashaya madzorero avangaita
zvainge zvatorongwa saka vakangoti
yadeuka yadeuka mvura haidyorereki.
Vakatandara dzamara kwati zvii
ndokuzoonekana umwe neumwe
oenda kumana kwake. Chambwe
akazoenda kumisasa yake mushure
audza nhume kuti dzifambise shoko
regadziriro yekuenda KwaTsindikwa.

CHITSAUKO 13

Zuva rakazosara ropinda muna mai


varo mauto ose kubva matunhu
akatsaukana votogadzirira zvombo
zvavo. Vazhinji vemauto aya vainge
vazere kugunun'una mumwoyo yavo
mushure nehurongwa uhwu.
Nezvakange zvaitika kuna Cherukato
vanhu vaisatarisira kusimudzirwa
imwe hondo zvekare vanhu vachine
misodzi pamatama zvakadaro.
Vamwe varume vaviri vaiva nehana
nhetenhete vakatiza pamusha
ndokunozvipfekera mumakwenzi
mumhenderekedzo yerwizi rukuru
rwenyika iyi. Vakatoona kuti kusvova
ndiko kwaiva nani pane kuzvikanda
mumiromo yeshumba. Ruzhinji
rwemauto enyika iyi vakadyira imbwa
kunyara, asi pachokwadi hapana
aiwirirana nepfungwa yehondo iyi.
Rungwanani rwaitevera Chambwe
naZengu vakatorana nemamwe
mauto vakananga kumatanga
emombe. Vakasvika ndokuratidzwa
nzombe yainge yataurwa namambo
iyo yaiva yakakora samare. Hazvina
kuvatorera nguva kuibudisa mudanga
sezvo paive nemitinda yevarume.
Yakasungirirwa pamuti ndokubva
yagadzwa demo rimwechete pedyo
nechikotsi kotsi ichibva yangobowa
kamwechete nekupfugama
makumbo emberi ndiye rikiti pasi.
Vakaita chirikiriki kuvhiya zvekuti
nekunguva isipi yainge yatopera
nekuda kwehuwandu hwevarume
vaivapo. Chambwe akabva araira kuti
chiropa chigochwe pekutanga sezvo
aida kuenda nacho kuna mambo.
Chiropa chichiibva chakachekwa
zvinhango zvidiki ndokuiswa
mumbiya mbiri ndiye hutu vakananga
kudare. Vakasvika ndokugadzika
imwe mbiya pauso hwashe imwe
ndokuiisa kumakurukota.
Vakanyautsa mukanwa
vachikurukura zverwendo
rwamangwana. Nguva dzemasikati
mauto anosvika zana nemakumi
maviri vainge vaungana pamuzinda
washe Mabharivari vatogadzirira
rwendo. Chambwe sejinda guru
anobva amira mberi kwemauto
ndokutanga kuringisa zviso zvavo
kuti zvakange zvine ushingi here.
Akavazivisa kuti kubva panguva iyi
hapana akange achabvumirwa
kubuda murusvingo kusvika
mangwana mambakwedza apo
pavaizosimuka vakananga
kwaTsindikwa. Akaenderera mberi
achiti hapana kana mumwechete
wavo aifanira kuonekedzana chero
naani zvake. Varume vese vaiva apa
vakagutsura misoro
sezvidhambakura kudurira
kunzwisisa. Vakaswera
vachirodzerwa zvombo nana mhizha
avo vainge vakaita fararira
vachiratidza unyanzvi hwavo. Varwi
vakaswera vachikurukura havo basa
richifambisirwa mberi. Zuva
richinogara miti n'anga yepedyo
nemuzinda inobva yatiwo pfacha
pamuzinda ndiyo pindikiti mudare
zvinova zvakavhundutsa ruzhinji.
"Ndambakuudzwa akaonekwa
nembonje pahuma. Changamire
munozviziva kuti uyo anofa
nemavanga enyora anova chiseko
chenyika. Akubaira zanhi ndewako!"
Anodaro Chitupe asingambosiye
meno pachena ndiye dhugu kubuda
onanga kumisasa yake. Vazhinji
vakashaya kuti chii chainge chotora
nzvimbo asi mambo vakabva
varangarira mashoko aNhekairo.
Dzimwewo harahwa dzakanyumwira
chirevo chemashoko en'anga iyi asi
vakatya kutsiura mambo nokuziva
kuti ishe wavo aiva chandagwinyira.
Changamire vakangoti kwanyamu
pachigaro chavo ndokutevera
Chitupe uyo akange ave kutobuda
ruvanze. Vakamudanidzira kuti amire
vachibva vamboita mwinimwini naye
vari vaviri. Waingoona Chitupe
achigutsura musoro kuratidza
kuwirirana nezvaitaurwa namambo.
Vakazoparadzana mushure
mechinguvana mambo vodzoka
mudare, Chitupe achipfuurira kuenda
kumisasa yake. N'anga iyi
yakavimbiswa mombe makumi
mashanu kuti ingotaura pamberi
pevanhu kuti vainokunda hondo
yaTsindikwa. Hakuna asingade
chakanaka, Chitupe akadzimaidzwa
nedanga remombe raainge
avimbiswa. Akazodzoka kumuzinda
zuva roda kupinda muna mai varo.
Rwendo runo akapinda mudare
ndokuwaridza makona ake pasi iye
ndokugara akapfunya chibondokoto.
Akarova hakata dzake achiomba
zvenhando achihotsira semunhu
asvikirwa izvo asina mudzimu
wakange wamushanyira. Akaudza
dare rose kuti vari kumhepo
vamuudza kuti varwi vavo
vainokunda hondo iyi.
Akavakomekedza kuti varege
kudeura ropa rwerudzi rweumambo
uye vaifanira kutora upfumi chete.
Achipedza mashoko ake Chitupe
akabva arongedza twake ndokubuda
odzokera kwake. Mambo vakasara
nyemwerero iri kugotsi nemashoko
en'anga yavo. Makurukota aive
mudare umu vakasarawo vaine
mibvunzo mizhinji kwazvo asi
wekubvunza painge pasina. Mushure
mechinguva mamwe makurukota
akanzi ayende kunozorora ndokubva
mangosara mambo, VaChitsama,
Zengu naChambwe chete vari vana.
"Wazvinzwisisa zvataurwa naChitupe
kuti torai upfumi chete asi musauraye
werudzi rweushe." Vanodaro mambo
vakatarisa Chambwe mumboni
chaimo. Jinda ramambo rakagutsura
musoro richinyemwerera ipapo
rakange ratova nevimbo
yekunoparadza Tsindikwa nekuda
kwesimbiso yavainge vapiwa
nen'anga. Nguva dzakadyana vanhu
ndokunorovera matama pasi zvavo.
Zengu naChambwe vakangonorara
kwenguva duku ndokubva vatodzoka
padare vopedzisa gadziriro
dzerwendo rwavo.
Pakuparadzana kwakaita Budzi
nanaDzivo akaudzwa kuti aifanira
kuzodzoka nezuva raitevera
agodzidziswa kubata zvombo
semurume. Budzi akatenda vamwe
vake nemufaro ndokururama
kumisasa yamai vake. Havana
kunoparadza nguva varindi vake
vakabva vatonzi vavhiye nyama yavo
nekuchimbidza. Nevanji washe
aitonzwa moyo wake uchidokwaira
kuti agoseva nemakuru manheru
ezuva irori. Budzi achingoti pindikiti
muimba yokubikira akabva
atambirwa nemibvunzo naRuramai
hanzvadzi yake. "Mukoma muri
kubvepi uye maenda nani? Izvozvi
amai havana kugadzikana
nekufunganya kuti
makachengetedzeka here. Vatoti
mukangosvika pano mubva
manovaona seri kwehozi kwavagere
uko vari kununga zvuma zvavo."
Anodaro Ruramai achiratidza
kushushikana kwazvo mukati
memoyo wake. Budzi haana zvizhinji
zvaakapindura kunze kwekungozivisa
hanzvadzi yake kuti akange ari
mutano uye akachengetedzeka
kwazvo. Mujaya akabuda mumba
umu ndokunanga kwaiva namai vake
avo vakanyemwerera vachimuona. Iyi
yakange isiri nyemwerero
yekupembedza jaya ravo asi yekuti
jaya rakange richiri benyu.
Vakabvunzana mutonhoro mai
ndokuzotanga kutaura nemujaya
wavo. Vakamuudza kuti iyi yaakange
arura yekupota achipoya pamuzinda
yakange yovashaisa mufaro
nemurume wavo. Vakabvunzisisa
mwana wavo kuti chii chaizvo
chakange chave kutora nzvimbo
mazuva iwawa. Budzi akange asina
kurairwa kureva nhema naizvozvo
akabudira mai vake pachema kuti
ainge aenda kunokwasha
mumasango nevezera rake. Ivowo
nekushaya shumo yazvo
vakamumhura vachiti kwaiva
kunovhima rudzii kwaidzoka
mwanakoma wavo achingova maoko
oga. Vaviri vachingunokurukurirana
Ruramai anobva auya nembiya
dzesadza ndokusvikopfugama
pamberi pehanzvadzi yake. Budzi
akanyemwerera hake achifadzwa
netsika dzemwana wamai vake idzo
dzaizadza mukombe. Iyi nyaya
yekudzoka kubva kumasango asina
chaainacho yakambomubata
ndokuchimbidza kuzvidzoka
semurume. Vakange vasina kureva
nhema mai vake pachokwadi haana
musi waakambouya kana
nedzvangauranga chairo achiti
apondawo. "Musazvidya moyo amai,
misi haifanane asi nerimwe zuva
muchanditendawo. Anodaro hake
Budzi achiita seasina hany'a apo
achitimbana naro sadza. Mai vake
vakangomutarisa kumeso
ndokudzungudza musoro
vachienderera mberi nekugadzira
zvuma zvavo. Mushure mechinguva
vachengeti vaBudzi vakabva vasvika
vakatakura nyama pamashizha. "Ishe
tapedza basa ramatituma," anodaro
mumwe wevarindi akamirira kuudzwa
kuti vodii nenyama yavakange vanayo.
Mai vaBudzi vachinzwa izvi vakabva
vasimudza musoro
vachisanganidzana nevarindiri ava.
Pfungwa dzavo dzakamhanyira
kumombe yakange yaurairwa mauto
namambo. Vasati vatomboti bufu
vakanzwa jaya ravo rotoraira varindiri
ava kuti vaende kunogocha chiropa
vagomuunzira. Akaenderea mberi
achiti varume ava vatore
mapandauko maviri votemerana
mbabvu vonopa madzimai avo
vagobikirwa. VaMaidei
vakashamiswa kuti chiropa
chemombe hachingauye
kuzogochwa kumisasa yokubikira
uye varindiri vaBudzi havasivo vaiita
basa iri. Mwana asingachemi anofira
mumbereko. Amai VaBudzi
vakabvunza mwanakomana wavo
kuti chii chakange chichitora nzvimbo
apa. Vakapindurwa nemumwe
wevarindiri kuti nyama iyi yakange iri
yemhara iyo yainge yaurawa kusango
kwavange vaenda. VaMaidei vakaita
sevachabata denga kuti mwana wavo
ava hombarume. Vakabva vatotanga
kuombera nekudetemba mutupo
zvinova zvakapa Budzi
manyukunyuku. Budzi akatandara
naamai nehanzvadzi dzake
ndokuzoendawo korovera matama
pasi vadya chiropa nemakuru.
Nerimwewo divi vanaMugadzauta
vakasvika kumisasa yavo
ndokutambirwa nembiya izere bumhi
renyimo dzakamonwa. Vakomana
vakafara kwazvo nokuti vaiziva kuti
uku kudya kwaibata ura, unoswera
uchinwa mvura zuva rose. Majaya
akasvusvura ndokuseredzera
nemikombe yemaheu aitonhorera
zvikuru. Vakamboti garei zvishoma
kuti chikafu chimbodzika vagoona
kuvhiya mhara yavo. Vakatora
mabakatwa avo madiki ndokutangisa
kuvhiya vachitoseka havo zvainge
zvaitika kuna Gwamhara. "Asi
mitumba yevarume iya kureva kuti
pashaya umwechete zvake abaya
dumbu, ko zvavari mauto wani."
Dzivo anombogara pasi achiseka
hake kuti vanotadza kuuraya mhuka
kuzoti pakaita anoda kurwisa Budzi
vaizomugona here. Vakapedza
kuvhiya ndokupa ambuya vavo
matumbu, susu neguru kuti vaite
zvekuziva. Mugadzaneuta akatora
gano ndokubva vatakura mhara
ndokuiisa padanda achibva atema
nepakati kuita mapandi maviri.
Vakavedzenga mapandi ose ari
maviri asi rimwe bandi rakazvimirira
roga. Vakapedzisira nekubvura
musoro nemazondo kuti vagadze
pamoto sezvo zvaizodyiwa
rechimangwana racho. Vachipedza
kugadza vakabva vasiya vapa
VaMusekiwa midzonga yerimwe
bandi kuti vasasike. Vakatora imwe
midzonga yerimwe bandi
ndokururama nayo kumisasa yana
Dzivo. Vachisvika pachivanze
VaMarwei vaitobudawo muimba
yokubikira. "Titambire vadzimba!
Aiwa zvaonekwa Moyo,maita basa
Chamakanda." Vanodaro mbuya
vachitenda vazukuru vavo nemitupo.
"Munotendeiko mbuya ndiwo
mugariro wedu zvekutenda chisiyanai
nazvo musasike usavi uhwu."
Anodaro Mugadzaneuta
achigashidza vaMarwei nyama iya.
Vakomana ava vakatozovidza zuva
vagere zvavo pabvute kumisasa
yaVaMarwei.Vakatozomuka zuva
ratovira vomanyidzana kunovhara
mombe. Zvaiitika pamajaya aya
ndezvekuti kwavanenge vavirirwa
nezuva vari ndiko kwavairovera
matama pasi, chero madzimbuya avo
vainge vatojairawo. Vakatandadzana
nambuya ndokuzoenda kugota
nguva dzapindana kwazvo.
CHITSAUKO 14
Sevanhu vainge vaneta nemabasa
masikati havana kunonoka
kuhweturwa nehope. Husiku uhwu
Dzivo akarota changamire
Mabharivari vakamira panhandare
vakatarisana naye apo aitamba
nemwanakomana wavo Budzi.
Changamire vairatidza kufara kwazvo
kuona nevanji wavo achiwadzana
nevamwe vezera rake mumuzinda
mavo. Pakatora nguva huru ishe
vachinyemwerera kwazvo
ndokuzogurwa mufaro wavo
nemumwe murume akasvika
akavazevezera mashoko munzeve.
Mashoko akazevezerwa mambo,
Dzivo haana kumanzwa uye haana
kukwanisa kuona chiso chemurume
uyu nekuda kwengowani yedehwe
yaakange akapfeka. Murume uyu
achingosuduruka mambo vakatanga
kufinyamisa chiso ndokudanira Budzi
kwavari. Ipapo ishe vakawetsa
bakatwa ravo ndokufamba vachienda
paiva pamire Dzivo iye
ndokuchimbidza kuzviona ndiye
chitsoka ndibatsire achidanidzira
mbuya vake kuti vamununurire.
Akaita zvekupatika achiridza mhere
yakatovhundutsawo Mugadzaneuta
uyo aitoridza ngonono zvake. “Zvaita
sei nhai Dzivo kubva wazhamba
kunge warumwa kudaro?”
Mugadzaneuta akabvunza
achipukuta maziso ayo aive azere
hope, ipapo ainge amuka ndokugara
akazendama nemadziro. Dzivo
akatura befu pashure
ndokutsanangurira mumwe wake
hope dzaakange arota. Vaviri ava
vakasimbisana kuti dzakange
dzingoriwo hope nje-e dzisina
zvadzinoreva nokuti ivo pachavo
havana kuona chikonzero chingade
kuponderwa Dzivo namambo.
Vakambokurukura zvavo dzimwe
nyaya ndokuzobatirwa nehope
pakare dzamara kwaedza.
Zuva raitevera racho nenguva
dzemasikati Budzi akatorana
nevarindiri vake vakananga kwana
Mugadzaneuta. Vakasvikowana
vakatomirirwa kare vachibva
vatorana ndokuenda muchitondo
chaive seri kwematanga emombe.
Vakatenderera nechitondo
vachitsvaka pakanaka pekutambisira
miseve yavo. Vakawana nzvimbo
yainge yakafanirana nezvavaida kuita
ndokumbotora kanguva kaduku
vachifema vagere paMuibvausiku.
“Nguva ndoyatisina zhinji varume,
ndinovimba kuti tambofema huyai
tingoti ga ga tidzokere kumusha kune
zvizhinji zvinoda kuitwako.” Anodaro
Mugadzaneuta achisimuka
ndokudanira Budzi pedyo naye kuti
aone mabatirwo kwawo anoitwa
gangauta. Akaswedera pedyo Budzi
ndokuvhura meso akatarisa
Mugadzaneuta uyo akatora museve
ndokuisa pagangauta. “Hapana
zvizhinji zviripo pakubata gangauta,
chekutanga dzikamisa hana yako
kana uchida kubaya chinhu. Chepiri
rega kubvundisa maoko nokuti
ukangodaro haungatombonangi
chero chipi zvacho. Chetatu uye
chakakoshesa ndechekuti kana
waisa museve saizvozvi hepano
pakukakata tambo yako chirega
kuramba wofema kana kubwaira
meso nokuti ukangorasika
nekubwaira kamwechete mhuka yako
inenge yatotiza.” NdiMugadzaneuta
uyu akange achingunotaura pamwe
nekurairidza Budzi uyo aingogutsura
musoro kuratidza kunzwisisa
zvaaiudzwa. “Rega ndikuitire
muenzaniso pamatamba ayo
akarembera mumuti umo nokuti
ndiwo andinoda kuti udzidze kutanga
kubaya nhasi. Kana waona ndichiita
wochizotevedzera, sezvauri kuona
pano kuti miseve yedu mishoma
kwazvo saka unofanika kubata
nekuchimbidza tisarase miseve
mizhinji.” Anodaro Mugadzaneuta
achibairira museve ndokuukwekweta
Budzi akangoudyura meso. Museve
waMugadzaneuta wakasvikobaya
damba rimwechete richitanhika pana
mai varo ndokuenda zvakarumana
nemuseve wacho, ndokusvikonoti
nyoshwa mumakwenzi aiva kure.
Budzi achiona izvi akanyemwerera
pamwe nekurova maoko kuratidza
kugutsikana kuti akange ane
mudzidzisi wemandorokwati.
Varindiri vake vainge vakangoti kanha
nazvo nokuti zvavakange vanzwa apa
havana kubvira vasangana nazvo
mukudzidzira kwavakaita basa ravo
rechiuto iri. Regai vakuru vazoti
kudzidza hakupere chokwadi.
“Mugadza zvauri mazvikokota
pakushandisa zvombo nhai,” anodaro
Budzi ashamiswa ndokuramba
akaudyura meso. Zita rake anonzi
Mugadzaneuta kwete Mugadza
chete,” anopindura Dzivo achiseka
zvake ndokuendawo pedyo
naMugadzaneuta otora gangauta
ndokuita zvimwechetezvo uyu Budzi
akatarisa. Budzi akabvunzwa kana
pane zvaakange asina kunzwisisa
maringe nemiseve ndokuti iye akange
abata zvose. Akaripiwa gangauta
nemuseve wacho kuti aratidzire
zvaakange audzwa. Akaukakata
museve zvine simba ndokuregedzera
achibva apotsa nekuda
kwenhetemwa. Mugadzaneuta
akamuyeuchidza nyaya yekubvundisa
maoko pamwe nekudzikamisa hana.
Akaenda pedyo naye ndokuti abairire
umwe museve achibva aisa maoko
ake pane aBudzi ndokumuti akatate.
“Ramba wakakakata kusvika warega
kubvundisa maoko.” Akazoti ati
dzikamei vachibva varegedzerana
nguva imwechete. Museve
wakasvikoti zete nepakati rimwe
bandi redamba richienda uko
rimwewo uko. Akafara kwazvo
nevanji wamambo kuti ainge agona
kubayawo rake damba nyangwe
zvake ainge akabatirwa gangauta.
Vakaramba vachingodaro uyu Budzi
achiti pamwe anopotsa pamwe
onangawo dzamara Mugadzaneuta
aona kuti vakaramba vachipfura
matamba zvaizomutorera nguva
yakati rebei asati agona kupfura ega.
Akadanidzira kuti zvemusi uyu
zvainge zvakwana zvimwe vaizoita
nezuva raitevera sezvo kunze kwaive
kototanga kuvira. Vakadzokera
kumisha ndokuparadzana Budzi
oenda kumuzinda vana
Mugadzaneuta voenda kunovharira
zvipfuyo zvavo.
Panguva dzemurirakamwe Chambwe
naZengu vanomutsa mauto ose kuti
vaite gadziriro sezvo kunze
kwakange kwavamba kuedza.
Vashoma vevarwi ava ndivo vaiva
kutsi kwehope asi vazhinji vavo
vainge vasina kukotsira nokuda
kwekufunganya zvavaizonosangana
nazvo mberi. Vakaunganidza zvombo
zvavo mumwe nemumwe
ndokugutsikana kuti zvekwake zviri
panzvimbo yazvo chaiyo. Nguva
dzichinobata mashambanzou mauto
aya akabva aruvamba rwendo rwavo
vakatungamirirwa naChambwe
naZengu. Vakasimuka pamuzinda
vari zana nemakumi matanhatu
nevanomwe ndokuruma nzira
uchingonzwa kutinhira pasi
nemitsindo. Rwendo rwavakange
vatanga urwu rwaitoda mazuva
masere pachikandwa nhanho kwete
nendonda. Kumuzinda ruzhinji
rwakasara rwakasuruvara pfungwa
dzichidyanana pamusoro pevadiwa,
madzikoma nehama dzavo dzaive
dzaenda kuhondo. Mumuzinda
mainge mangosara mauto anosvika
makumi mashanu akachengetedza
mambo. Hakuna vanhu vaionekwa
kunekaira nemuzinda semazuva ose
kunze kwepwere idzo dzairimbinyuka
nemufaro dzisina chadzinofunga kuti
kunze kunei. Musi wafuma mauto
asipo pamuzinda uyu, ishe
vakazomuka zuva ratokwira
ndokunanga kudare uko vakasviko
wana VaChitsama vatovamo.
Vakabvunzana dzehope pashure
ndokutanga havo kukurukura
maererano nerwendo rwainge
rwafambwa nemauto emuzinda wavo.
“Afamba apota changamire
hazvizikanwe mberi kwavanoenda
uko kuti vanonopona here? Ndinoona
zvine ungwaru kuti tidaidze n'anga
huru yemuzinda itinyengeterere vana
vedu vachengetedzwe
nevenyikadzimu.” Vakadaro
VaChitsama vakazvirereka
vachiratidza kuve nehany’a nemauto
enyika yavo. Changamire vakabitirwa
nehasha vachinzwa mashoko
airopodzwa negurukota ravo guru iri.
Vakange vasina kutarisira kuti
VaChitsama vangabve varatidza
humbwende hwavo panguva yakadai
iyi nyangwe vaiziva kuti mauto avo
aigona kupinda panjodzi. “Iwe
Chitsama uri chipanga mazano
wemuzinda uno hongu, asi hazvirevi
kuti unofanira kuzvidza dare rangu
nematongero andinoita. Chitupe
akabva pano zuro hauna kumunzwa
zvaakareva here kuti varwi
vanonokunda. Sei uchiita sepwere
iwe, kana uchida zvoupwere wadii
waenda kunotamba nevezera rako
kumahumbwe uko pane kutipedzera
nguva muno mudare tichiti tine
varume!” Vakapupira furo muromo
wese changamire apo huma yese
yakange yafukidzwa nemanganda
ehasha. VaChitsama vakaona kuti
vakange vagofa nyuchi
ndokuchimbidza kukumbira
ruregerero vachiuchira, chero zvavo
vainge vari vakuru kuna mambo.
“Bu…..bu…bu aiwa paposheka
Samanyanga miromo inodya munyu
iyi dzimwe nguva inoreva nepasipo.”
Inodaro harahwa yototyira upenyu
hwayo kuti hungagurisirwa panzira
nekuda kwemuromo wayo. Zvokudya
zvakauya nevanasikana vamambo
ndokusvusvura murunyararo sezvo
VaChitsama vainge votyira upenyu
hwavo. Mambo vachipedza kudya
vanobva vabuda mudare
ndokudaidza mauto gumi kuti
vambofamba vachiona havo muzinda
wavo. Vakabuda ndokuenda
nekumatanga emombe vachimema
havo.
Zuva parainge rorova nhongonya
n'anga huru yemuzinda washe
Mabharivari, yainge igere hayo
mubako mugomo reGwindindi.
Yakatarisa ikaona kuparadzwa
kwainoitwa nyika iri
kumaodzanyemba ikanzwa tsitsi
ichibva yarova hakata. Yakaramba
yakati nde-e pahakata ndokungotaura
ichiti udza varwi vako varege kurwisa
hondo irikuuya. Sekuru Nhekairo
vakabva vangopeta dehwe
ndokurongedza vachibva
vanyemwerera havi vachiombera
kuvadzimu.

CHITSAUKO 15
N’anga yakanyemwerera ichiburitsa
twuzino twutema tema twainge
twakadarangana, teverere nekunwa
mvura nhema yaiva mune chimwe
chikari ndokuifuridzira mudenga yose.
Vakaombera pamwe nekudetemba
kuvadzimu achibva abuda vonogara
panze vachiimba nziyo dzepasi.
Avawo changamire havana kure
kwavakamboenda nemauto avo
vakabva vatoti vaneta ndokudzoka
kumuzinda. Vakasvikira kumisasa
yanyachide wavo uko
vakasvikotambirwa neguchu
remukaka wakakora ndokunwa havo
chigadzamoyo.
Chambwe nevamwe vake vakagura
mitunhu vasina kana
chibingamupinyu chavakasangana
nacho kunze kwemhuka dzaingo
kwitima nesango. Vaitononokerwa
nekusvika kunyika yashe Tsindikwa
uko vaida kusiya vaita chisionekwi
umhandara hwamai. Chambwe
aitozviudza kuti rwendo urwu
rwaifanira kuti apiwe mombe zhinji,
naizvozvo aida kukokorodza dzose
nehuwandu hwadzo. Uyu Zengu
zvemombe aive asina hanya nazvo
chake chaaida madzimai, aidisa
kwazvo kuti mhuri yake ikure
nekuchimbidza zvekare ruchiva
rwaimukurira. Asi aiti akafunga
mashoko aChitupe aibva anzwa hana
yake kurova pamwe nekurwadziwa
kuti chii chaizvo chaakange
achiendera kuhondo iyi. Rwendo
urwu Chitupe ainge avarambidza
kana kutora varanda zvavo. Havana
kunge vaudzwa nechinzero chacho
nazizvozvo vakangoenda vari murima
vachingoti zvemadzimai
tarambidzwa. Chambwe akazviona
kuti mumwe wake ane chakange
chichimudya moyo ndokubvunza kuti
akange abatikana nei chaizvo. Zengu
akange asiri munhu aifarira
kuchengeta zvinomunetsa mumoyo
make ainge akadzidziswa akabata
kuti kutsva kwendebvu varume
vanodzimurana. Akataurira Chambwe
zvose zvakange zvichimudya
pfungwa kubva vachisimuka
kumuzinda. “Kana iri iyo nyaya
yemadzimai rega kuzvitambudza
zvenhando, inga munyika medu umu
muzere tsvarakadenga wani. Wadirei
kubva wazvinetsa nekuda
kwemabvakure, inga zvinonzi
kuroorana kunoda vematongo wani.”
Anoenderera mberi Chambwe achiti
pakugovewa kwepfuma yavanenge
vadzoka nayo iye aingoudza mambo
kuti vamupe mhandara yaanenge
achida munyika mavo imomo. Zengu
akaona riri zano rakanaka kwazvo
nokuti ainge agara akaisa meso ake
pagotwe raVaChitsama iro raiva
nerunako rwaidzima zuva. Izvi
zvainge zvakanakira kuti pamugove
waaifanira kupuwa waizogurwa
oripirwa maroora namambo zvisina
kupokana kwevabereki vemusikana.
Zuva rakazosara robuda varume ava
vagura mutunhu wakakura kwazvo
zvichibvira makandiro avaiita nhanho.
Nguva iyi yakange irii yechirimo
zvekuti zuva rikangoti kwire
zvishoma rinenge rave kutopisa
zvaishura mare. Chambwe akaraira
vamwe vake kuti vambokanda
nhanho vozozorora parudziyakamwe
kuitira kuti nyama dzirege kurukutika
nezuva. Zvechokwadiwo varume ava
vakazorora parudziyakamwe vose
ndokuti ware ware kugara pamumvuri
vachidya havo nyama yavakange
vabva nayo kumuzinda. Vakazoti
vazorora zvishoma ndokurangana
kuvaka misasa yekuti varare husiku
hwezuva iroro vachizosimudzira havo
nezuva raitevera. Nehuwandu hwavo
misasa haina kutora nguva kumiswa
ndokutozovidza zuva havo vagere
pasi pemiti. Musi uyu vakarara vagere
pamoto vakaita zvikwata zviviri
nekuti nzvimbo yavaiveri yainge isina
kutambanuka zvekuti vagare
panzvimbo imwechete vose.
Rungwanani ngwanani vakasimudzira
nerwendo vaine chinangwa chekuda
kupedza Gwamhara masikati sezvo
vaisada kurara mugwindingwi iri
zvekare. Munguva dzemasikati
vaisvikawo paiperera Gwamhara
vachibva vatarisana nezienda
nakuenda rebani. Nechepakati pebani
iri paipfuura nerwizi rukuru Kweto
rwainge rakafara zvekuita nhanho
makumi matanhatu. Rwizi urwu
rwaive nemakarwe airura asi
munguva iyi mvura yainge yakaserera
zvakanyanya. Kweto rwaitangira
mujinga megomo Gwindigwi, robva
radimbura nepakati pesango rainzi
Gwamakunguwo raive kumabvezuva
kwedundu rashe Mabharivari.
Vakatsvaga pakareruka
ndokuyambuka vose vakakwana
ndokuenderera mberi nerwendo.
Vakanozorora vasara nekamutunhu
kuti vasvike pamuganhu wenyika
mbiri idzi muzuva rechitanhatu.
Vakarara vachirangana mapindiro
avaizoita pamuganhu sezvo vaiziva
kuti varindi vanenge vakachengeta
siku nesikati. Vakazongobuda
nerekuti vachengeti vanenge vari
vashoma naizvozvo vaizovaparadza
pasina kana neumwechete wavo
anopunyuka.
Mangwanani ezuva raitevera
Mugadzaneuta naDzivo vanofumira
muchikomo chaive mujinga
memusha wavo. Vakakwira
ndokunogara padombo rekupedzisira
raive pamusoro soro pechikomo ichi.
"Dzivo unoziva mapangiro andaita
chomuto muchena dai nhasi
tamboenda murukova rwuri muna
Chamapenzi umu." Mugadzaneuta
anotaura akatotarisa zienda
nakuenda rebani rinova iro
Chamapenzi umo maive nekarukova
kaitangira nechepakati pebani.
"Murukova hatina kana chimwe
chatinowana kunze kwematatya
nekuti ndomunoswerera pwere
kubvongodza. Kana uchinge wafunga
zvehove totoenda kuna Kweto uko,"
anodaro Dzivo akatarisana
nemumwe wake. "Kuna Kweto
kunoda rimwe rema....!" Haana
kuzopedzisa mashoko ake
Mugadzauta mushure mekunge aona
mbira dzichidanzva nemaware aiva
zasi kwechikomo. Chinono
chinengwe bere rakadya richifamba,
Mugadzaneuta anoraira mumwe
wake kuti vabve vaburuka vasvike
pedyo vagowana chokuita nadzo.
Dzivo akapokana nepfungwa iyi achiti
iye vaifanira kutanga vaona nharirire
yacho votanga kubaya iyoyo. Dzivo
akabva atarisa rumwe rutivi
ndokuiwona iri pasuwo rebako
yakatarisa kwainge kune dzimwe.
"Pairi hairoveki nyore shamwari saka
ngatidzike muzasi mebwe tingorova
kana mbiri pane dziri kutamba zasi
idzo." Havana kuzoda kuparadza
nguva vachibva vaburuka paya
ndokunyahwaira dzamara vava
painyatsooneka zvakanaka uye
pasina zvibingaidzo pakubaya.
Vakahwanda nebwe ndokukasira
kubairira miseve ndokukakata
vachibva vangoregedzerana nguva
imwechete. Museve waDzivo
wakasvikonoti zete nemumusoro
weimwe ichibva yawumburukira pasi.
Zvimwechete nekudivi
raMugadzaneuta wakasviko rova
nepadumbu uchibuda neseri ndiye
pasi dhii zvekare. Dzimwe dzose
dzakatiza noupenyu hwadzo
ndokunoti mubako nyengu. Majaya
akatozoburuka atorembedza usavi
zvinova zvakatoshamisa vana mbuya
vavo avo vaitokurukura vagere
mubvute redura. "Midzimu inemi
nguva dzose vazukuru, kana nhomba
yenyama hatichaizive pano pamusha
makatodza madzisekuru enyu."
Vanodaro VaMusekiwa vachigashira
vazukuru vavo. Chemusi uyu Budzi
akashaiswa mukana wekuenda
kuvamwe ndokuswera vachikurukura
nababa vake.

CHITSAUKO 16
Mumuzinda washe Tsindikwa
mangwanani emugovera
munonzwikwa ruzha rwepwere
dzaidzana nekupupurudza mitambo
yakasiyana-siyana. Pwere zvose
nevakuru vaifadzwa chose
nematongerwo avaiitwa namambo
wavo. Tsindikwa aiva murume ane
moyo munaku achidisa vanhu vake
sekuzvida kwaaizviita iye pachake.
Aizivikanwa kuti aiva wetsiye nyoro
uye airemekedza runyararo.
Haaitendera kana kuda kunzwa
zvekudeurwa kweropa ringava
revasori vanenge vabatwa munyika
iyi. Musi uyu ishe vaive vagere
mudare nemachinda avo
vachikurukura maringe nekubatsira
mwana wejinda ravo guru uyo aibuda
mugota. Mambo Tsindikwa vaive
nemakore makumi masere
nerimwechete, pachimiro vaive
mushava vari varefu. Mumusoro
vaigara vakapfeka ngundu
yakagadzirwa neminhenga yeshiri
nedehwe reshumba nezvose
zvavaishonga. Dare ravo raiva
rakavakwa nemabwe ndokupfirirwa
neuswa uye pasi painge
pakadzudzurwa nemunyaka
pachihwinya. Chigaro chavo cheushe
chaive pakakwirira kudarika zvimwe
zvose. Nechekumusoro
kwavaizendamisa musoro kana
vagere kwaive kune dehenya
remusoro weShumba. Pasi pavaitsika
netsoka paive pakaiswa dehwe
reshumba zvakare. Ishe vaive
nemadzimai matatu nevanakomana
vana kotiwo vasikana gumi nevatatu.
Muzinda wavo wainge wakavakirwa
mujinga megomo kuitira kuvharira
mhepo uye wakapoteredzwa
nerusvingo rwakareba zvekuti munhu
akamira seri hawaiwona nhongonya.
"Bu-bu-bu HweMhazi mupondera
pachena pasina gwenzi,
mhenyamauro vanotakura mombe
mbudzi voite hata!" Uyu ndiGandiwa
aingunoombera changamire vake
teverere gusvu kubva kumakurukota
ose. Gandiwa raive jinda guru
ramambo, ari rume dema uye ari
pakati pehurefu nehupfupi. Akange
ari hofori yerume mutsika panotinhira
chaiye. Paingunoombera makurukota
amambo apa ivo ishe vaingogutsura
musoro nyemwerero iri kugotsi.
Hakuna remekedzo yaivafadza
kupinda yakadai iyi zvikuru sei kana
ichibva pasi pemwoyo yevanhu
vakakukomberedza. "Mambo wangu
chekutanga ndinoda kutenda
vadzimu venyika ino nekutipa upenyu
kuona kubuda kwerimwe zuva
mumuzinda medu. Ndisingade
kuparadza nguva rega ndibve
ndaibaya nepagarudzo chaipo. Nhau
yataunganira mungaiparura henyu
nzeve takupai toonesana
zvikwanisiro nezvingaitwa." Anodaro
Gandiwa achigara pachigaro chake.
Mambo vanokosora kuri kugadzira
pahuro kuti vawane kutaura sezvo
pahuro paiva karakata. "Mangwanani
machinda angu ndinotenda
nerukudzo rwamunopa misi yose
kusiya misha yenyu muchimukira
pano padare. Nyaya iri pano idoko
naizvozvo handidi kuparadza nhambo
yenyu nekudonongodza zvizhinji.
Jaya rejinda rangu guru sekuziva
kwenyu rakumbira kugarawo padare,
zvino ndaona zvakakodzera
kumutendedza kupinda mudare rino.
Naizvozvo hunhu netsika dzedunhu
rino kubva makare tinoti mbudzi
yabarira pavanhu yati nditandirwe
imbwa. Gandiwa ndinoti tora mombe
shanu nembudzi shanu unowedzera
kuripa mhaka mujaya ayambuke rwizi
asvike padare." Mudare munoita
mahon'era pamwe chete nekurova
gusvu kuratidza kutenda zvainge
zvaitwa namambo. Mambo
Tsindikwa waitova mugariro wavo
wekupa pasina chavanotarisira
kupiwa nevanhu vavo. Mumuzinda
wese hakuna musha wainge usina
danga remombe sezvo vese vainge
vasina vakagoverwa mombe mbiri
pamusha wega wega. Pose pavainge
vaine makurukota avo mudare nyaya
dzavo mambo dzairerekera
mukupanga vamwe nemazano
anovaka upenyu. "Inzwai ka varume,
zviuya zviri mberi naizvozvo hatizivi
kwatinobudira pakudoka kwezuva.
Ndinoda mugare muchinatsa
kwamunobva nekuti kwamunoenda
husiku uye mwana washe muranda
kumwe." Vanodaro mambo
vachigogodzera nhekwe yavo
muchanza cheruboshwe. Mambo
Tsindikwa vaisada mhere mhere
mumuzinda mavo naizvozvo vaigaro
yambira ruzhinji. Kubva vachigara
pachigaro cheushe havana kubvira
vaita hondo nemamwe madzimambo
akavakomberedza. Muzinda wavo
waisambova nevarwi vazhinji
sevanhu vaigara vasingamutsani
nemamwe madzishe. Ivo pachavo
vanhu venyika iyi vaidana chaizvo
sevana vanyamunhu. Runyararo
nemufaro ndiwo wakange uri
musimboti wehupenyu hwavo misi
nenguva. Muzinda uyu waigara une
mabiko mwedzi wega wega
vachipemberera runyararo
mumuzinda nekuchengetwa nevari
nyikadzimu. Iyi yaivawo zvekare nzira
yekugara vachibatanidza vanhu uye
kuti vaya vane zvichemo vaibva
vangozvipira kunaishe wavo. Zvaiita
nyore kumunhu wese nokuti ruzhinji
rwakange rusingazowani mukana
wekusvika kuna ishe pauzima.

Munguva dzemasikati vanhu


vaitosvusvura mutakura wainge
wabikwa navahosi vashe.
Vakavhundutswa kuona mumwe
wemauto avo achipinda mudare
nemuenzi wavange vasina
kumbobvira vakaona munyika yavo.
Varume vose vakasiya kudya voti
meso avo dzi-i pamueni uya vaine
mibvunzo mizhinji kwazvo asi
vachishaya pekutangira. "Pamusoroi
changamire ndinoziva kuti muzere
kushamisika nemurume wandauya
naye muno uyu. Muchinda uyu auya
nevakomana vemombe achiti anobva
kuchamhembe kwedu uku. Hatina
zvizhinji zvatamubvunza kubva
patamutora kuvakomana vekumafuro
uko semunhu asina kumboratidza
kuda kuita mawara. Semunhu ari
kufamba asina kana nebakatwa
zvaro taona sekuti haangambotirwisa
nemaoko akatikurira ndicho
chikonzero maona tapinda naye
mumuzinda asina kana kusungwa
saizvozvi. Basa rekubvunzurudza
ndinoziva kuti nderenyu imi ishe isu
tozonzwa kubva kumuti mukuru."
Anodaro murume uya achiombera
vamwe vose ndokuuchirawo
vomutsigira pashure ndokubuda hake
osiya musungwa wake mudare.
Mudare munombosara mune
runyararo vanhu vakangoyeva
muchinda uya aingoratidza kubvunda
amire pakati pedare. Ishe ndivo
vakazodzimura runyararo vobvubza
muchinda uyu zita rake nekwaakange
achibva uye chaanotsvaga
munzvimbo yavo. "Bu....bu...bu..!
Pamusoroi changamire wangu nemi
mose muri muno. Zita rangu ndinonzi
Nhindi ndinobva munyika
inoganhurana neino kuchamhembe
uko kwamambo Mabharivari.
Muchiona ndarasikira muno kudai
handisi mutakuri wematama kwete
asi ndinongovawo mufambi zvake
anotsvaga bvute. Zuva randipisa
kwenguva huru kwazvo saka
ndikawanawo bvute ndingazorodze
muviri pamwe nepfungwa. Ndaiva
murwi mukati menyika yangu zvino
zvakazoenda nepamwe musi watanzi
tinogadzirira hondo mukati merimwe
gwindingwi munyika medu imomo.
Takasvikirwa nezvikara zvikaparadza
vazhinji vedu vamwe ndokutiza
takaita rumwe rumwe ini
ndichizobudira kuno kudai." Nhindi
anorondedzera rungano rwake rwese
kubva kumavambo kusvika
kumagumo asingambotyi. Chinhu
chaasina kuita ndechekutaura kuti
hondo yavaigadzirira kunyika kwavo
yaiva yekuparadza iye Tsindikwa
waakange akatarisana naye. Izvi
akaziva kuti akangozvireva
zvaimupindukira akazoitwa nyama
yemagora. Chimwe chinhu
chakamupa simba rekusazvireva
yaiva nyaya yekuti iye pachake
akange atova nechokwadi kuti
hakuna hondo yaizotevera nokuda
kwemaparadzirwo ainge aitwa
vamwe vake musango. Ishe
vakagutsura musoro vachinzwa
nhoroondo yemurume uyu
ndokuzobvunza vamwe vavo kuti
pane zvakaipa zvavange vachiona
here pamuchinda uyu. Varume vose
vakangoti ose aiva machena murume
uyu aikwanisa hake kugara navo asi
aimbogara ari nhapwa
vachimbonyatsomuongorora.
Munyika yashe Tsindikwa hunhapwa
raingovewo zita zvaro ravaishandisa
asi hunhapwa chaihwo makange
musina. Munhu waingogara
wakachengetwa nevarindiri uchito
raramawo sevamwe. Waizongotiwo
kwashe kukaita basa wotorwawo
wonobatsirana nevamwe kwete zviya
zvekunzi mabasa akaoma ose
anoitwa nevaranda. Umu munyika
waitogara uchifara uchidya zvaunoda
asi kana uri murume
hawaizongobvumirwa kusvika kudare
kana kubatiswa zvombo. Nhindi
akazotorwa oendwa naye kwavahosi
vashe kuti anogadzirirwa zvekudya
achitorindwa nemumwe wevarindiri
uyo aitoratidza kusununguka chose.
Vaviri ava vakange votoita nyaya
sekunge vainge vakazivana kare
kwazvo. Kubva musi uyu Nhindi
akagara zvakanaka chose munyika
yashe Tsindikwa asina kana chakaipa
chaakasangana nacho. Kana
nepfungwa dzekudzokera kunyika
kwake dzakange dzatobuda maari.
Semunhu akange ave pedyo
nekubuda mugota akaona
zvakanakisa chose kuti atange mhuri
yake munyika iyi. Mhandara ane zhinji
kwazvo dzaainge aona dzaitosvora
moyo wake. Aizongoda kuti
paanosungurwa okumbira ishe kuti
ave mumwe wavo.
Mushure memazuva gumi kubva
zvasvika Nhindi munyika iyi, vanhu
vakatorivara havo. Mudare
munokaruka mapinda imwe harahwa
vese ndokukanda meso kwairi
vachibva vangoti zii. Kazhinji zvaiti
kutsikwa neharahwa iyi mumuzinda
zvaingoreva kuti bira rave pedyo
naizvozvo vakabva vamirira kunzwa
zvaitevera. Harahwa yakapinda
mudare umu aiva Dzvaitsvai
mutauriri mukuru wemidzimu yenyika
iyi. "Pamusoroi mambo wangu nemi
mose muri muno mudare. Handina
zvizhinji zvandafambira asi ndapiwa
mazwi echenjedzo nevadzimu
vemuzinda uno uye nagodobori
wemuzinda washe Mabharivari.
Ndanzi ndikuudzei changamire kuti
zvose zvamakaronga ibvai
mazvisendeka parutivi nekuti ndaona
hondo yapinda mumuzinda uno
munguva pfupi inotevera. Vari
kumhepo vanopokana nepfungwa
yekurwisa muvengi uyu nokuti
pangaite kudeuka kweropa revasina
mhaka. Imi regai vatore zvavanoda
vadzokera kwavo murunyararo.
Chamungaite muzuva ranhasi kutora
zvimwe zvipfuyo nemhandara dzedu
mozvivanza mudunhu riri
chinhambwe kubva pano pamuzinda.
Izvozvi ngavatore zvipfuyo vatange
kufamba nekuti muvengi aswedera.
Tosangana kana muvengi achinge
adzokera ndipo pachabva mhinduro
dzamuri kuda parizvino. Changamire
hondo iri kuuya musaedza kurwisa
nekuti varwi venyu vanopinda runa
pavarwi varikuuya munyika ino asi
vadzimu vanemi regai kurwisa."
Neiwaya Dzvaitsai akabva abuda
ndokuenda. Mambo vakasara
vakaudyura meso nekuti
chiberekerwo chavo havana kubvira
vakapindirwa nemuvengi mumuzinda
kubva baba vavo vachiri vapenyu. "Ko
nhai Mhepo, Simba naNherera mati
ndakanganisei kusiya muzinda
uchipinda mumhi makaringa. Mambo
vakakungura misodzi ikayerera,
vofunga runyararo nemufaro
mumuzinda wavo vakaona
zvichiparadzwa. Chipangamazano
wavo akabva atoti kujinda guru riite
zvataurwa naDzvaitsvai zvipfuwo
zvitotorwa zviende. "Ishe wangu
nhambo yekufunganya hapachina
pari kudiwa kukasika kufambisa
shoko ruzhinji ruzive mamiriro
azvaita varege kuda kurwisa kubva
kumiganhu." VaRuzivo sachipanga
mazano vakatuma nhume
dzikamanyisa shoko kudivi raiuya
nemuvengi. Hwamhanda
ngaisaridzwa nekuti mamwe
matunhu haafanirwe kuvhunduka
sezvo ari kure zvekuti muvengi
haasvikeko. Varipedyo ndivo vanoda
chenjedzo chete," vanodaro VaRuzivo.
Nenguva isipi nhume dzainge
dzombereraka nemuzinda dzichipira
vanhu shoko avo vaingosara vati
kanha nazvo. Ishe vakava
nekusuruwara kukuru vakaita budu
mumoyo vakashora nekumhura
vadzimu asi chekuita painge pasisina.
Vakadaidza vana vavo vakomana
ndokuuyiwa navo kudare asi mukuru
wavo akanoshaikwa kumisasa yake
zvichinzi ayenda kunovhima. Mambo
vachinzwa mashoko awa
vakawedzera kudzimbikana nekutya
kuti mwana wavo ayizowira muhondo
yaiuya mumuzinda asingazive.
"Handina zvizhinji zvandakudaidzirai
pano asi ndinoda muzive hondo iri
kuuya mumuzinda uno muzuva riri
kutevera. Hazvizikanwe ndogona
kuparadzwa asi ndoda musare muine
moyo mumwechete uye mobatsirana
panenge potsaudzira anenge
achitonga. Izvozvi ndinoda mose
mubve mateverana nevakomana
vezvipfuyo pamwe nemadzimai
nehanzvadzi dzenyu. Kuno
kumuzinda munozodzoka kana
muchinge matumirwa nhume kuti
chidzokai." Vanodaro mambo
vachiratidza kutyira mhuri yavo.
Vanakomana vamambo
vakarambisisa vachiti chinowana
baba vavo naivo chaizovawanawo.
VaRuzivo vakamboedza kuti navowo
ishe vabatane nevakomana
vezvipfuyo ava asi mambo
vakarambisisa. "Rega kuita sepwere
Ruzivo ndingava baba werudzii
anovata panze nokuti mumba
mapinda nyoka. Handiti ini ndini
ndinotofanira kutarisana nechikara
kuti mhuri yangu isaparadzwa here?"
Vakadaro mambo mumoyo
vachipfungaira neshungu.
CHITSAUKO 17
Mambo Tsindikwa vakange
vachipfungaira neshungu maringe
nenyatwa yavainge vakatarisana
nayo. Nyika yavo yaiva
yakaropafadzwa nepfuma yerudzi
rwose zvarwo. Vakabuda panze
ndokutanga kutarisa mativi mana
enyika yavo shungu dziri pahuma.
Vaiti vakaona kuyevedza kwenyika
yavo pamwe nemufaro wevanhu vavo
vaibva vadzudzunga musoro.
Chainyanya kuvarwadza ndechekuti
zvose izvi vozvibvutirwa nemuvengi
vakarivara kudai here. Dai kusiri kuti
venyikadzimu vakange varamba
zvekudeurwa kweropa, mambo
Tsindikwa vangadai vakakokorodza
mauto vakarwisa muvengi akange
achiuya uyu. Munhurume anofa
achirwa, ishe vainge vazvipira kuisa
ngundu pasi vobata nduni nepfumo
kubatsirana nemauto avo kudzivirira
vanhu venyika yavo. Munguva
yaingunoshushikana ishe iyi varwi
makumi maviri nevamwe varume
vemumuzinda vakabatsirana
kukokorodza mombe, mbudzi, hwai
nembongoro. Vakazvisvukumisa
vakananga divi remadokero uko
kwavaida kunozvivanza seri
kwemakomo. Zvemusi uyu zvipfuwo
hazvina kubvira zvawana mukana
wekufemba sora dzamara vanosvika
seri kwemakomo. Mumuzinda
makasara zvipfuyo zvishomanana
zvine vafudzi vashoma vamwewo
ndokunogarira seri kwemakomo
nezvipfuyo ikoko. Vatakuri vematama
vakasvitsa shoko rekusarwiswa
kwemuvengi kumiganhu yose asi divi
rakapinda nanaChambwe shoko
rakanonoka kusvika. Mamwe mauto
akapinda musango kutsvakana
naTigere nevanji waishe kuti
asasangana nehondo iyi
ikazomuparadza. Vakabvuvudza
mumakwenzi nemumadziva asi
havana havakaona. Mauto aya
akatozoona kuti iwo ndiwo aigona
kutozobatwa nehondo vari
mumasango vachibva vadzoka
kumuzinda. Tigere uyu akange ari
hombarume wamandiriri. Musi uyu
akabva pamisasa yake ndokudarika
achitorana nemadzisahwira ake
maviri ndokupinda musango. Sezvine
chinodaro masango akava matema
zvekuti varume ava vakashaya kana
gwereveshe zvaro rekupotsera ibwe.
Vakati zvino vanzwa nekutenderera
pasina chamuka vachibva
vambozendama pamiti vagere
vachitura mafemo. "Varume
hatingadzokeri kumuzinda
takarembedza maoko isu tauya
musango rakati fashu nemhuka
kudai," anodaro Tigere achiratidza
kurwadziwa nezvezuva iri. "Masango
matema chokwadi, zvichida vari
nyikadzimu vave nenyota ndokusaka
pasina kana chatamutsa.
Tikasadzokera kumuzinda mhuri
dzedu pamwe namambo
vanoshushikana nokuti tasiya tisina
kuraira." Akadaro umwe wevarume
vaive naTigere achiratidza kuve
nehanya nevamwe vaiva vasara
kumuzinda. Tigere akadzimura
pfungwa yemurume uyu nekureva
kwevakuru kunoti "wafamba apota."
Izvi aiti vanhu vose kumuzinda ikoko
vaizviziva saka hakuna
aizoshushikana pamusoro pavo.
Vainguno kurukura havo vagere
vachizorora. Nguva hadzina kumira
kufamba ndokutozokaruka zuva
rapinda muna mai varo.
Vakazosimuka ndokufamba
zvishomana vachifunga kuti vangaite
mahwekwe nemhuka dzobva
kunonwa mvura asi zvakakona.
Nguva dzakange dzapindana
dzisisavatenderi kudzokera
kumuzinda nyangwe kana vaida.
Vakakwira mumuti ndokusvisunga
nemikosi vasina kana chavaisa
mumiromo.
Kumuzinda mambo vakaraira
kumisasa yokubikira kuti kana
vabvuwa vangozvionesera ikoko
nekuti ivo vaive vasviba moyo.
VaRuzivo naGandiwa vakadoedza
nepose pavaigona kuti mambo vaise
chunhu mumuromo asi mambo
vakaramba vakatsika madziro.
Vakaudza machinda avo aya kuti
nhamo yomumwe hairambirwe sadza
naizvozvo vaifanira kusvusvura
chigadzamoyo havo. VaRuzivo
vakangosiya zvakadaro
ndokungonyobvora nyobvora ravo
sadza ndokusiyawo raramba kudzika.
Harahwa iyi yakazooneka yoenda
kunorovera matama pasi. Gandiwa
akati iye haana kwaaizoenda achisiya
ishe vega, chaiuya chaizotanga
kuwana iye chozonanavira kuna
mambo. Mambo vakamboda kuti
vasare vega mudare asi zvakakona
n'anga murapwa achida. Husiku
hwezuva iri vaviri ava vakaedzerwa
vakasvinura hope dzaramba kubata.
Mamwe makurukota akazouya
mangwanani akawana vaviri ava
vagere semasiiro avainge avaita.
Vakamutsana setsika asi waingoona
kuti umwe neumwe urozvi huri
panguva yakaoma. Tigere nevamwe
vake vachiburuka mumuti vakangoti
fambe zvishomana ndokuita
mahwekwe netsvana yemhembwe.
Yakangoti ichivaona ichibva
yasvetuka yotiza neupenyu hwayo
varume vakati unonyepa. Yakabva
yavanzvenga pasina kure kwavaenda
zvinova zvakavagumbura zvikuru.
Zuva ratoti kwirei ndipo pavakazoona
uno mutumba wemhembwe uri seri
kwegwenzi vachibva vakuvama pasi
ndokuisa miseve pamagangauta avo.
Utonga hwati piriviri kumabvezuva,
varwi vamambo Mabharivari
vaisvikawo pamisasa yevarindi vashe
Tsindikwa. Vana Chambwe
vaitofamba vachizuhwa vasina
chekuvhunduka sezvo vaiziva kuti
muzinda uyu ndewe runyararo.
Varindi pavakanoti vabude
mumusasa mavaive varere vakabva
vasanganidzana negurusvusvu
revarwi vakabata zvombo.
Vakashaiswa mukana wekukurukura
nemiseve yakaita zvekunaya
sechimvura mabwe, vachibva
vangooma vakadaro. Vakaparadzwa
vose pasina kana mumwechete wavo
akapunyuka. Chambwe nevamwe
vake vakaenderera mberi nerwendo
vane chinangwa chekunosvika
kumuzinda parudziyakamwe.
Vakakanda nhanho zvekuti zuva
rakazosara robuda vagura mitunhu.
"Nyika ino izere mbwende dzega
hakuna kana yambiro imwechete
kubva kun'anga dzavo kuti tapinda
mumuzinda wavo. Tiri
kungosvikotora zvese zvinotakurika,
anenge aita manyemwe pfuudzai
musambotya nokuti ndizvo chaizvo
zvatafambira." Anodaro Chambwe
akamira mberi kwemauto ake apo
vakange vachimbotura mafemo.
Zuva richinoti kwirei vainge vave
kuona gomo mberi kwavo raive
chinhambwe. "Sekunzwa
kwandakaita muzinda unonzi uri
mujinga megomo zvinoreva ndirori
gomo ratiri kuona." Varwi vose vaive
vachiti mwiro kwangosara Chambwe
aingoita zvekufembera gwara
raivasvitsva kumuzinda.
Vakatovarairwa vasingatombo zive
kuti kunze kunei vakaerekana rimwe
uto rawira pasi. Vakavhunduka kuona
miseve yakanyura nemumbabvu uto
rayeneka nyika. Vakaringa divi rainge
rabva nemiseve iya ndokunzwa kuti
pfokocho pfokocho vakabva vatoziva
kuti vanhu vave kutiza. Pakatumwa
varwi makumi maviri
akatungamirirwa naTangai kuti
vavaronde.

Vana Tigere pavakaregedzera miseve,


miviri yakapotsa ndokudarikira
nemugwenzi ndokunoti tititi
mumauto emuvengi wawainge vasina
kuona. Pavakanzwa kuvovora
kwemurume aive abaiwa vakabva
vavhunduka ndokudongorera
nemumakwenzi ndokuona mhomho
yevarwi vakabata zvombo. Havana
kuda kumirira kuudzwa kuti muzinda
wavo wapinda muvengi vachibva vati
chitsoka ndibereke vakananga
kumuzinda. Havana kure
kwavakaenda vakanzwa mutsindo
kumashure kwavo pachideedzerwa
kuti mirai hakuna kwamunosvika.
Pavakaona kuti pavaipira vakabva
vafunga kurwisa asi vakakwanisa
kufura miseve miviri miviri iyo
yakapfuudza mauto matanhatu ainge
ana Tangai. Tangai akadeedzera
vamwe vake kuti vakombe varume
ava pavaive vahwanda. Nenguva isipi
vainge vavakomba asi vari
chinhambwe zvishomana
ndokuiregedzera miseve yakasviko
umburudza vaviri. Tigere achiona
vamwe vake vaumburuka akafunga
kubereka tsoka. Akati
achingonosimudza musoro Tangai
akauregedzera museve wakazvikoti
zete nemunzeve chaimo. Akabva
angowira pasi pakare ndokutoti
mukabvuwa sarai mudye achibva
awoma akadaro.Tangai nevamwe
vake vakasvika ndokutarisa vakaona
changova chando vachibva
vadzokera kwaive kwasara vamwe
vakavamirira. Vachidzokera ndipo
pavakaona mhembwe yaive
nemuseve pabendekete zvikavanetsa
kuti chava chii. "Ndinoona sekuti
varume ava vanga vachivhima
zvikazongoitawo nepamwe miseve
yavo ikabaya umwe wedu," akadaro
umwe wemauto. Hapana
akamudavidza sezvo hana dzavo
dzaive dzisisina kudzikama nekuda
kwechiitiko ichi. Vaive vongofunga
kuti vanga vakavandirwa saka chose
changoti pfokocho vaivhunduka.
Vakasvika pavamwe vavo
ndokuvapira zvainge zvaitika zvinova
zvakatsamwisa Chambwe kuona
vamwe varwi vaparadzwa.
"Ndinovimba kuti hakuna ationa
tichipinda nokuti tingadai tanzwa
hwamanda dzichirira," anodaro Zengu
achisimbisa vamwe vake vainge
vabatwa nekutya. Vakatozosimudzira
nerwendo ava masikati. Vakabva
vasvika pane umwe musha
ndokungowana masasa akavharwa
pasina aripo. Vakafamba
vachitevedza misha dzamara vasvika
paive nevanhu ndokubvunza gwara
rainanga kumisasa yashe.
Vakaratidzwa gwara rekumuzinda
pasina kupokana vachibva
vangorurama vakananga gomo iro
rainge rava pedyo navo. Chambwe
ainge asisina nyena nemunhu ainge
anonokerwa kubata basa raainge
afambira. Zuva richinovira vakabva
vati vhu-u pamuzinda washe
Tsindikwa.

CHITSAUKO 18
Chambwe nevamwe vake
vakatozotadziswa kufamba
pamafungiro avo nekuda
kwekuvhiringwa navana Tigere.
Vakatozosvika kumuzinda washe
Tsindikwa zuva ratopinda muna mai
varo. Varume ava vakaona
zvisisachabatsire kupindira vanhu
ava neusiku nekuti vakange vasiri
kuzivawo kuti vainge vakagadzirira
zvakadii. Hondo yemurima ine njodzi
pakuti munogona kuvhiringana
mukatanga kubayana pachenyu
nekuda kwekusaona zvakanaka.
Vakarangana kuti varare vari
chinhambwe zvishoma nemuzunda
uyu kuitira kuti vagopfuudza basa
ravo kwakachena zvisina kuvandirana
mukati.
Mambo Tsindikwa vainge vagere
vakazendama nemadziro muimba
yavo yokurara. Murume mukuru ainge
azunzika muviri nezuva rimwechete
kuri kutya hondo. Dai vakange vasiri
mukuru aitotarisirwa neruzhinji
rwenyika iyi pachokwadi ishe
vangadai vakatiza noupenyu. Imwe
nyaya yakange yovashaisa hope
ndeye mwanakomana wavo uyo
wavaisaziva kuti akange ari
mugwenzi ripi uye kuti akange asina
kuparadzwa here nemuvengi. Kunze
kwaedza ishe ndokumukira kudare
iro rakange rave rekugarira vanhu
vachimirira kusvika kwemuvengi.
Zuva richinoti vhu-u varume vaive
mudare vakavhundutswa nerimwe
uto ravo rakangoti pindikiti mudare
risina kutanga radavidza.
"Changamire musha wapinda
mhumhi kutaura kuno vavengi vari
kukwidza mukwidza kuuya kuno
vakapakata zvombo." Anodaro
murume uya achifemera pamusoro
achingomhanyisa meso panze ave
kutotya kana nekutobuda chaiko.
Mambo vakashaya pokubata
vongohuta serutsanga ruru mumvura.
Kutya kwainge kwavaputira meno
ogeda geda kana kubudisa mazwi
vakatadza. Chiberekerwo chavo
vainge vasina kubvira vaona chinonzi
hondo kana kuona munhu achiuraiwa.
"Changamire yadeuka yadeuka
haidyorereki ngatimirire vaite
zvinovagutsa sekureva kwakaitwa
naDzvaitsvai. Vadzimu venyika ino
vanesu ngatibudei panze pedare
tigamuchire muvengi wedu."
Vanodaro VaRuzivo vatoona kuti
changamire vavo vakange vapera
simba vasisachagoni kana nekutaura.
Mambo Tsindikwa vakazvishingisa
semurume ndokusimuka vakabata
tsvimbo yavo. Gandiwa akazviona
kuti ishe vainge vasina kusimba
vaigona kupunzikira pasi. Akavabata
rumwe ruoko kuti vagosimba naye
vagone kufamba kubuda panze.
Varwi vakadanidzirwa kuti vakande
zvombo pasi vasaedza kurwisa
hondo iyi kuti varege kuparadzwa.
Vakanzi vaifanira kuita chese
chinenge chataurwa nemuvengi wavo
ivo vosara vari vapenyu. Mambo
vakaenderera mberi vachiti hupenyu
ndiwo wakakosha pfuma inoshaviwa
imwe. Gandiwa akanzwa kubaikana
pamoyo achiona mhandu dzainge
dzapinda mumuzinda wavo. Nyaya
yekuonekwa sembwende vachirega
muvengi achiita zvaanoda haina
kumupinda zvakanaka. Chekuita
painge pasina nekuti varwi chaivo
munyika iyi vaive vashomanana
kwazvo uye vasina ruzivo
rwakanyanya pakuzvidzivirira
nezvombo. Yakava bata wabata
pamuzinda madzimai
achimanyidzana kupinda mudzimba.
Hazvina kutora nguva mhandu
dzainge dzasvika pasuwo rerusvingo
apo paingove nemauto mashanu
chete. Kusvika kwakaita Chambwe
navarwi vake pasuwo, mauto ainge
akarinda apa vakangokanda zvombo
pasi ndokusimudza maoko mudenga
kuratidza kuzvirereka. Maitiro akadai
aya akashamisa Chambwe nevamwe
vake sevanhu vainge vatosvika hasha
dziri pahuma. Zengu akabvunza
Chambwe kuti vanhu ava vaisada
kuvabata kumeso here nemaitiro
akadai aya. Chambwe haana kuita
hany'a nazvo akaraira kuti
vadamburane vaite zvikwata zviviri.
Achiita izvi aida kuti vose
vasangonowira mukanwa meshumba.
"Mukada kuita mawara nesu
munoedzerwa mokurukura nevamwe
venyu kunyikadzimu!" Tangai
akadanidzira nezwi riri pamusoro uye
rizere kuvhundutsira achitopinda
mumuzinda nevamwe vake.
Akakanda nhanho shanu
ndokusimudza musoro achibva
asanganidzana meso nevarume
vatatu vainge vakamira pachivanze
vasina kana nebakatwa zvaro
muruoko. "Vamwe sarai mumire
panze perusvingo mutarise kana
pane angade kurwisa," akadaro
Chambwe achitofamba kupinda
mukati nemamwe mauto. Vakafamba
nhanho dzingasvike makumi mana
vachibva vamira vakakokera miseve.
Akadanidzira kuti mumuzinda
makange mune vanhu vapenyu here
umu mushure mekuona runyararo
rwaivemo. Ipapo changamire
vakabva vabvunza kuti vainge vapara
ipi mhosva kubva vavingwa
vakabatirwa minondo kudaro.
Chambwe akamboita kakuvhiringika
ndokutarisana nevamwe vake
nemeso aibvunzana kuti ndizvo
zvavakange vachinzwa. "Hatina
kufambira zvizhinji mumuzinda
wenyu muno zvekuti mukatirega
tikatora zvatatumwa tinodzokera
tisina kudeura ropa." Akadaro
Chambwe asingamboratidzi kusvoda
pachiso chake. Pakamboita chinguva
pasina mhinduro mambo vachiita
sevanofunga ndokuzodavira pave
paya. "Sezvamuri kungoonawo mega
kuti mumuzinda muno hamuchina
vanhu vazhinji. Takabva kupindirwa
mazuva mashoma adarika
tikaparadzirwa ruzhinji rwevanhu
nezvipfuyo zvedu zvikakukurwa
zvose. Handina kugadzirira uye
handidi kudeura ropa revanhu
vashoma vandasara navo ava
vakandikoshera kupinda zvose. Kana
zvichibvira revai zvacho
zvamatumwa tokupai kana tinazvo
kana kuti pindai mutsvage
zvamunoda asi ndapota
musandiponderawo vanhu vangu."
Mambo vaitaura asi vane kakutya
mavari. Semutungamiri
vakangozvipira sezvo vakatsidza kuti
mukuoma nemukurwadza vachange
vachimira nevanhu vemuzinda wavo.
"Gwara ramasarudza rakanaka zvino
chasara kuti tizive kuti zvipfuwo
zvatatumwa naishe Mabharivari
zviripi. Zuva rinofanira kutozovira
tagura mitunhu takananga kwedu."
Akadaro Chambwe asina kana ganda
kumeso. Hurongwa
hwekukokorodzwa kwezvipfuyo
hwakafambiswa nemazvo. Tangai
akabva anzi atorane nemamwe
mauto enyika iyi nevekwavo vonotora
zvipfuyo kumafuro vasawana kana
chavanosiya ikoko. Vamwe vese
vakasara vakarindira muzinda
mapfumo nemiseve zviri mudenga.
Chambwe akabvongodza mudzimba
dzashe achitsvaka ndarama, nyanga
dzenzou nezvimwewo zvinokosha.
Akaita rombo rakaipa ndokuwana
nyanga imwechete zvayo nembiya
imwechete yendarama. Semunhu
ainge audzwa zvekupambwa
kwenyika iyi akabva
angogutsikanawo kuti zvedi vanhu
ava vakange vasiiwa pachena.
Kumafuro kuya zvakanofamba
negwara ndokukokorodza zvose
zvakange zviriko ndokuuiwa nazvo
kumuzinda. Zuva rakange rorova
nhongonya pakasvika zvipfuyo izvi
Chambwe ndokusarura zvainge
zvakakora ndokusiya zvakaonda
nezvaiva nemhuru zvese. Achiita izvi
aisada zvekutambudzika pakufamba
zvipfuyo zvovarwarira munzira.
Akaraira mauto ake mushure
mekugutsikana kuti zvavaida zvainge
zvakanaka kuti vachiruvamba
rwekudzokera kwavo. Pfungwa
yekuda kuzorora yakange iri mavari
asi zvakavarambira kuti varase hope
pamuzinda waTsindikwa nokuti
vaitya kuzomukirwa vakavata.
Naizvozvo vakazviudza kuti vaizovata
vave kure kwazvo. Zvipfuyo
zvavakange vakwanisa kuwana
munyika iyi zvaisvika mazana masere
nezvinoraudzira uchisanganisira
zvose mombe, mbudzi, mbongoro
nehwai. Nyangwe zvavo
vanaChambwe vakasvika zvichinzi
nyika iyi yainge yambopambwa asi
vakafadzwa nekuti vakanga vasina
kufambira dhongi rakaora. Vainge
vawanawo cheuviri chekusvika
vachipira mambo uye vaitoziva kuti
ishe wavo aisvikofara chose.
Vachisimuka pamuzinda washe
Tsindikwa vakapiwa vamwe
vakomana vatanhatu kuti
vambovasundaidza vachivaratidza
makwara akareruka kufamba nawo
nezvipfuyo. Vachiita izvi ishe waisava
moyo chena chaiwo asi kugutsikana
kuti zvechokwadi mhandu yainge
yadzokera kwayo. Gwara ravakatora
raikasika kuvasvitsa kumuganhu
wemizinda miviri iyi.Zuva rakazosara
rovira vatova kumuganhu wenyika iyi.
Vakavavarira kuzorara vave munyika
yekwavo votsvaka pekuzorora
zvakanakisa vasina chekutya.
Pavakasvika pamiganhu uyu vanhu
vekwaTsindikwa vakabva vaonekana
nanaChambwe vodzokerawo kwavo.

CHITSAUKO 19
Vana Chambwe vakatozorara vave
mubani guru ndokuwirirana kuti
vazobira rwizi Kweto kana kwaedza.
Vakaona zvichivaisa panjodzi huru
kuyambuka rwizi kwavira zvakadaro
vaine zvipfuyo. Kumashure kwavanga
vabva
mambo Tsindikwa vakasara vaine
kurwadzikana zvikuru. Nyangwe
zvavo vainge vabudirira kubata
muvengi wavo kumeso asi kutorwa
kwezvimwe zvipfuyo zvavo kwakaisa
ronda pamoyo. Nyaya huru yakange
ichivafadza ndeyekusaparadzwa
kwevanhu vavo avo vainge vabudirira
kudzivisa kudeurwa kweropa. Havana
kuwana nguva yekuzorodza pfungwa
ishe vachifunganya nezvevarume
vavanga vatuma kuti vaperekedze
muvengi. Ipapo vakatanga kuzvituka
kuti vakange vatora danho risiro
kukanda mwana mudziva rine
ngwena. Izvi zvakange zvave
kutowedzerwa nekunonoka kudzoka
kwakange kwaita vakomana vacho.
Vaiva vakutofunga kuti zvimwe
vainge vangopondwa munzira imomo
vakasiiwa kana kutotakurwa
vondoitwa varanda vaMabharivari.
Mambo vakatozo dzikamiswa hana
naGandiwa uyo akaburitsa pfungwa
yekuti pada zvipfuyo zvakange
zvavanetsa kutinha. Ishe vakaona
pfungwa iyi iine musoro ndiko
kudzikamisa kwavakazoita hana. Vari
mukuzvidya moyo kudaro imwe
pfungwa yakabva yauya mavari
ndokudaidza vana vavo vakomana
kuti vavaone kana vaivepo. Munguva
imwechete ndiyozve yavakarangarira
kuti mwana wavo mukuru Tigere
ainge asipo pamuzinda. Mhuri
yamambo yainge yaramba kuenda
nezvipfuwo ichiti chaiwira murume
nababa vavo chinovaonawo.
Vanakomana vavo vakauya asi Tigere
akashaikwa zvakare, zvinova
zvakawedzera ronda mumoyo.
Vaiziva havo kuti zvevavhimi vaigona
kuvata musango vachikwasha asi
apa zvakange zvisina chokwadi,
zvichibvira nemuvengi ainge
avaparadzira musha uyu. Gandiwa
akabva atoti kuna changamire
vasazvidya moyo zvavo nokuti iye
aizovatevera musango imomo sezvo
aiziva nzvimbo dzaifarirwa nevatatu
ava. Pana Gandiwa ishe vainyatsiona
kuti vakange vane jinda
remandirokwati. Murume uyu
aisafarira kuona mambo
vachitambudzika nezvinhu
zvaaikwanisa kugadzirisa kana kuita.
Kubva zvakabva Dzvaitsvai mambo
havana kubvira vadzikotsira kana
musi umwechete zvawo vairara
vagere mudare. Vakange
vongoshuvira kuti n'anga yavo iyi
idzoke kuzovaratidza gwara zvekare
sezvo yakange isingawanzodaviri
ikaita zvekudanwa. Sezvineiwo
mangwanani aitevera kubva pazuva
rasimuka vana Chambwe iri, zuva
richinoti vhu-u Dzvaitsavi anobva
asvika pamuzinda. Akasvikopinda
mudare ndokuwaridza dehwe rake
ndokugarapo akapfunya
chibondokoto. Tsvimbo yake
yaaifamba nayo ino refu refu
yakabairirwa muvhu, chemusi uyi
haina kuzendamiswa nemadziro
zvayaisiitwa misi yose. Dzvaitsvai
akatanga kuungudza kuchema
akatarisa hakata dzake
dzaingorimbinyuka dzoga pamusoro
pedehwe. Akasimudza chiso
ndokutarisana namambo pakare
ndokudzungudza musoro. Gandiwa
uyo ainge oda kubuda kuenda
kusango kunotsvaga mwana
wamambo akabva anzi agare pasi
nekuti ane mashoko aaida kuudzwa.
"Ndinoziva mune mibvunzo mizhinji
chaizvo asi chekutanga ndinoti
nematambudziko kwamuri
changamire. Kutaura kwandiri kuita
kuno Gandiwa buda nevarwi muende
negwara rakaenda nemhandu
muchasangana nevamwe venyu
vachidzoka. Pamunosangana mutore
divi rekumabudazuva muchasangana
nemitumbi mitatu iri pakati
pemambwe. Muuye nemitumbi iyoyo
iradzikwe pachivanhu chedu asi avo
vari kumuganhu wakapinda nevanhu
ava kuti vasvike kuno hazvichabvire,
ingotumai varwi vasere vaende
vanopisa mitumbu yavo ikoko. Zviri
zvekudzoka kwemhandu yenyu ishe
chiregai kutya nokuti vatoenda.
Nguva ndiyo shoma itobudai
muende," yakadaro n'anga
ichitakwaira iri pamusoro pedehwe.
Pakadeedzwa Vengai anova
mwanakomana wamambo mudoko
ndokunzi amanye kunodaidza varwi
vainge vaenda nezvipfuwo kuti
vachidzoka havo. Mambo
vakamboda kuramba asi vakanzi
haana chaaizosangana nacho
chakaipa kusvika vadzoke
mumuzinda. Mambo vakatadza
kuzvidzora misodzi ikayerera
pamwechete nemadziwa. Vakanzwa
sekunge vainge vabaiwa nepfumo
pamoyo nekuda kwemashoko
aDzvaitsvai. Vakapedza shungu
dzavo vachibva vabvunza Dzvaitsavi
kuti ainge aparadza dangwe ravo
ndiyani. "Ndine urombo changamire
mhandu dzabva pano zuva ravapinda
mumuzinda uno ndipo pavakaita
mahwekwe nedangwe renyu
nevamwe vake." Akaenderera mberi
Dzvaitsvai achirondedzera zvese
zvainge zvaitika kubva pakutanga
nemafiro avakaita.
Gandiwa nevamwe vake vakagura
mitunhu ndokubva vasangana
nevarwi vekuperekedza mhandu.
Havana kuparadza nguva
vakatsanangura zvavainge vanzi vaite
nemo nemo ndokubva vatonanga
mabvezuva. Vakafamba kamutunhu
ndokubva vaona matombo avainge
varairwa vachibva vangosvika
ndokuona mitumbu yese iripo.
Vakaruka mapanda ndokusengana
nezvitunha vonanga kumuzinda.
Vaifamba vachigashidzana kutakura
dzamara vasvika. VaMuchaneta
vanova hosi yamambo vakaikwetsura
mhere mushure mekuudzwa kuti
Tigere ainge afuratira nyika.
Zvimwechete nemudzimai wake uyo
vakatozoita zvekumudira mvura kuti
apembenuke muchadzimira chainge
chamumonera.
Vengai akakwitima nemasango
akananga kumavirira akasvika zuva
ragara miti ndokubva angosvika
nekuraira varume vezvipfuyo kuti
vachidzoka kumusha vachibva
vapinda munzira. Vakazosvika
kumuzinda hwatove usiku sezvo
paive nemufambo kubva kumakomo
kwavainge vakaviga zvipfuwo.
Muzuva raitevera vana Tigere
vakachengetwa, muzinda wese ukava
nekusuruvara kukuru nechiitiko ichi.

Kumuzinda washe Mabharivari,


kubva zvakasimuka mauto avo
kuenda kwaTsindikwa havana
kuwana nguva yekugara pasi.
Vakadeedza varwi pamwe chete
nevaranda ndokuvarairisa kuti
vaifanirwa kuvaka mamwe matanga
ezvipfuyo akakura chaizvo. Miti
yakaoneswa ndondo chiri
chipatapata kufambisa basa ekuvaka
matanga iri. Zvaiti vaitema miti
ichiwa pasi, vamwe vachitevera
vachipemhena uye vamwe
vachikweva nezvireya nemombe.
Mambo Mabharivari vaingoenda
nenguva dziri kure kunoona kana
basa rakange richifamba nemazvo.
Matanga akavakwa zvekuti kupera
kwemazuva matanhatu ainge apera
kuvakwa vamirira kudzoka kwevarwi
neupfumi. Ishe vakatumira nhume
kunodana Chitupe kuti vanzwe kana
varwi vavo vakanokunda. Chitupe
akauya akadungamidzana nenhume
iya ndokusvikira mambo vagere
pabvute. Akabva angonaiwa
nemibvunzo miviri nguva imwe chete.
Wekutanga waiva wekuda kuziva
kana varwi vavo vakanokunda
teverere kuti vainge vodzoka here uye
vave papi? Chitupe akabudisa hakata
dzake munhava ndokudzirovanisa
achibva adziti mwarara parukukwe
paainge akachonjomara. Akaramba
akati nde-e kutarisa ndokutora chikari
chaive muneimwe nhava
ndokutorazve dende raive nemvura
yemurwizi ndokudira muchikari.
Akatanga kudetemba akabata chikari
chiya mumaoko achibva achigadzika
pasi ndokunyemwerera. Zvese izvi
zvichiitika ishe vainge vakatuzura
meso nechidokwadokwa chekuda
kunzwa mhinduro. "Ishe wangu varwi
vakakunda uye vave mudunhu rino
kutaura kuno vari muna Gwamhara.
Mambo vakanyemwerera mufaro
ukavaputira ndokubva vangoti
Chitupe ayende nevarwi anopiwa
mombe dzake makumi mashanu.
Uyuwo Budzi akatora mukana
wekuenda kwevarwi kunopamba
achibva ati name name nana
Mugadzaneuta. Akadzidziswa
kukanda pfumo zvese netsvimbo
pamwechete nemiseve. Pamazuva
mashoma iwawo akange ave nyanzvi
kutopinda varindiri vake nekure. Pese
pavainguno ita zvose izvi Tsvoti
haana kurega tsika yake yekuvandira
achiitira kuzoudza Chambwe kana
adzoka. Nerimwe zuva
Mugadzaneuta, Dzivo naBudzi
vakatorana vari vatatu ndokuenda
kuna Gwamhara. Semazuva ose
vachipinda musango vakatanga
nekukumbira kuvadzimu kuti
vavazarurire gwara rakajeka.
Chemusi uyu Budzi akarova tsuro
netsvimbo mushure mekunge
yamuka ikamanya nekwaainge ari.
Akaisa munhava ndokuenderera
mberi nekuvhima, vati fambei
vakabva vasvika pane chimwe
chikomo. Vakagara mujinga
mechikomo vachizorora, Dzivo
akabva aona ngururu mbiri
dzaitonanzvana dzimire pamusoro
pebwe. Akazevezera vamwe vake
nechinguva chisipi vakabvumirana
kuti Budzi naMugadzaneuta ndivo
vaizopfura. Dzivo akasara agere,
vaviri ava ndokuenda nemativi
akasiyana asi vaiita zvekuzvuva
nedumbu kuti vasvike pedyo. Vave
pedyo Mugadzaneuta akabairira
museve wake pagangauta
ndokukwekweta zvakasimba.
Akauregedzera uchisvikoti dyo-o
nemumutsipa uchibuda neseri
ichibva yawira seri kwebwe. Imwe
yacho payakaona kuti paipa yakabva
yasvetuka ichienda pane rimwe ibwe
asi isati yanotsika pasi yakagarwa
naro pfumo nemudumbu raisina
kuziva kwarabva nako ndiye pasi
bhidhiri. Dzivo akatanga kurova
maoko Mugadzaneuta ndokudairavo
nekoko chikomo chikaita maungira.
Budzi akamera zenze nekuroverwa
maoko nevamwe vake achibva
akasika kuyeuka vadzidzisi vake. "Dai
pasina imi makabata basa ndingadai
ndisina kuuraya mhuka iyi." Anodaro
Budzi achipa mbiri kuna
Mugadzaneuta naDzivo uku
nyemwerero iri mugotsi. Vakomana
vakaseka havo vachisengana
nemhuka dzavo vonanga kumuzinda.
Vatove kubuda muna Gwamhara
Budzi ndokuona mhene yakamira
pabvute ndokuudza vamwe. Dzivo
haana kumirira kuudzwa zvekuita
sezvo ainge asina kuuraya zuva iri.
Chiriporipotyo akavanda nemakwenzi
uku akabairira museve akagadzirira
kupfura. Achinyahwaira kudaro
akabva atsika mashizha mhene
yavhunduka ichibva yatoti kwaku
kwaku ichienda. Dzivo
akadzimbikana chaizvo asi chekuita
painge pasina ndokubva varurama
kumuzinda. Vakadarika nekumisasa
yana Dzivo ndokusiya vaturika
ngururu mumuti ndokubatsira Budzi
kutakura ndokuzomusiya apinda
pasuwo rerusvingo.

CHITSAUKO 20
Budzi achipinda muruvanze
akachingurwa nemhururu yamai vake
vainge vagere muberevere remba;
Maita Samanyanga,
Maita Bondorouswa,
Maita vari Mapanda,
Zvaitwa varidzi vemasango,
Zvaonekwa Mhukahuru,
Mutsikapanotinhira.
Vakadeketera nemufaro mukuru kuti
zijaya ravo rainge rava hombarume
wemandorokwati. Vakasimuka
vakadzana, Ruramai ndokumanya
kunotora nhava yamukoma vake
vairatidza kuti vakaremerwa chaizvo.
Akafamba ndokutura ngururu yaiva
papfudzi ndokuraira hanzvadzi yake
kuti igodana varindi vake vagovhiya
nekubvura tsuro yaive munhava.
Mambo vakanzwa mhururu
yemudzimai wavo ndokuendako
vachiita zvekundonda chaiko.
Shungu dzaida kuona kuti chii
chakange chatekenyedza moyo
wehosi yavo. Vakasvikirana nejaya
ravo richikanda mhuka yaive pafudzi
pasi, zvinova zvakavashamisa.
"Samanyanga ndiyaniko akupai usavi
uhu, aiwa arambe ane rudo
rwakadaro." Vanodaro ishe
vakatarisana nejaya ravo uye
vasingambofungidzira kuti wavo
mwanakomana angava hombarume.
Pachinzvimbo chekuti apindure
akatanga kuseka hake, pava paya
ndokuzoti ndiye akange adzimba
achiratidza baba vake pfumo rake iro
rainge rakatsvuka ropa remhuka.
Mambo vakamboda kubatanidza
zvaive mumeso nemunzeve mavo
ndokuvarambira kubatana. "Mambo
wangu madireiko kubvunzurudza
mwana chiregai azorore hamuone
kuti aneta here?" Vakadaro vahosi
vatoona kuti mwana akange
obvunzurudzwa netwusina maturo.
Semunhu mukuru havana
kuzongonyarara nje-e ishe vakabva
vatoti ivo vaidisa kuziva kuti nevanji
wavo ainge aenda nevarindi vake
here kunovhima kwacho kwaainge
achireva. Yekudzidzira uhombarume
iyi vaida kuziva zvekare kuti ainge
akadzidziswa nani nokuti ivo pachavo
vaisada kuti akasike aziva
zvemumasango asati asvika pazera
rokuwana. Budzi akagara pasi
ndokupindura zvese zvainge zvaitika
musango uye nekudzidziswa
kwaakaitwa hapana kana chimwe
chaakasiya. Ishe vakanyemwerera
pamwe nekurumbidza
mwanakomana wavo nedanho
raakange atora iri. Vakatanga kuona
kuti Budzi akange atovawo murume
pavamwe varume. Nyangwe zvavo
basa rainge raitwa nana
Mugadzaneuta iri rainge rakamirira
Chambwe kuti azoriita ishe vakafara
zvikuru ndokuzviudza kuti Chambwe
ainge arerutsirwa basa. Aizongobata
zvishoma nemwanakomana wavo
nokuti zvizhinji ainge atodzidziswa
kare. Ishe vakaraira Budzi kuti
agozouya nevakomana vaakange
achireva ava padare changamire
vagozozvipupurira vomene kubva
kumajaya aya. Mambo Mabharivari
vainyatsoda kunzwisisa kuti
mwanakomana wavo aireva idi here
kana kuti aida kunzvenga nyaya
zvake. Budzi akapindura nemufaro
achiti aizouya navo padare vakomana
ava nezuva raitevera racho. Mambo
havana kuzopedza nguva
ndokudzokera kudare kwavainge
vasiya VaChitsama nemamwe
makurukota. Budzi akasara agere
naamai vake naRuramai
vachikurukura havo. Mangwana
masikati Budzi akabuda ndokutora
gwara rekumisasa yana
Mugadzaneuta. Akavasvikira vagere
vachidya mazhumwi, ndokusviko
garawo nepadivi achinongawo rake.
"Varume muchiona ndauya kudai
ndatumwa namambo vari kuda
kukuonai kudare." Anodaro Budzi
achirovera zhumwi rake pasi
ndokutanga kudyawo achimirira
mhinduro. Mugadzaneuta naDzivo
vakavhunduka vachinzwa kuti
vaidanwa kudare naishe. Izvi
zvakange zvisina kumbobvira
zvakaitika chikuriro chevakomana
ava. Pauviri hwavo hapana ainge
akamboisa rutsoka rwake padare
rashe. Vakatanga kufungisisa kuti
ndepapi pavainge vambopara mhaka
vakapashaiwa. Dzivo akakumbira kuti
Budzi anyeurire chikonzero nei vainge
vachidanwa asi nevanji washe
anotoseka hake achiona vamwe vake
vachiratidza kutya. Mugadzaneuta
anoratidza kushaya hany'a ndokuti
kuvamwe vake vasimuke vabve
vaenda kudare nokuti iye pachake
aiziva asina mhosva yaakapara.
Vakatorana vakomana ava ndivo
munzira kweda hevo tande
vakananga kudare. Vakapinda
pasuwo rerusvingo ndokururama
kumisasa yavahosi sezvo Budzi akati
hatingaende kudare kune ruzhinji
rwavanhu. Vakasvika ndokugara
pabvute vamirira zvaizotevera.
Pasina chinguva vahosi vakabuda
muimba yekubikira ndokukwazisana
nemajaya vachibva vadzokera.
Vakazobuda vakadungamidzana
naRuramai vakatakura mbiya ina
dzainge dzakafudigirwa
ndokusvikodzigadza pauso
hwemajaya. Majaya akaombera
ndokushamba maoko vachibva
vafudugura mbiya ndokuwana
dzizere nemutakura imwe izere
nenyama yakagotya. Waingoona
kufamba kweshaya woziva kuti
vanhu vari kuteerera kuri kuenda
chikafu. Vahosi ndivo vakazogura
runyararo rwaivapo vobvunza mazita
emajaya aya. Dzivo ndiye akatanga
kupindura ndokuvaudza zita rake
nekupedzisira nekuti aiva muzukuru
waVaMarwei.
Vahosi vakamirira kuti vanzwe umwe
achitaura asi hapana kana
akapindura vose vakatarisa kwainge
kwakagara Mugadzaneuta ndokuona
mujaya akangoudyura meso kunge
nzombe yadzipwa pajoko.
Mukomana uyu akange atova kutsi
kwendangariro achiyeuka mashoko
aainge akaudzwa nambuya vake.
Ziso rake raive pana Ruramai, kubva
nguva yaakagara pasi meso ake
haana kubvira amabvisapo.
Akayeverwa nerunako rwaainge asati
amboona mumuzinda mavo hana
yake ikabva yarova zvikuru. Mumoyo
make akatozviudza kuti aizoedza
nepose paaikwanisa kuti azosvitsa
shoko rekuvaka ukama pakati pavo.
Akatozonyururwa mudziva remifungo
yake iyi mushere mekubaiwa
papendekete naDzivo. Achiona kuti
akange aonekwa nemunhu wese kuti
njere dzakange dzamutiza,
mukomana anokumbira rugererero
achiiuchira akazvininipisa. Vanhu
vakabvaruka nekuseka zvavo
vachitoshaya kuziva kuti ko pfungwa
dzemujaya uyu dzakange dzabatwa
nei chaizvo pachena zvakadaro.
Mushure mekuseka vanhu
vakazoziviswa zita raMugadzaneuta
nerevabereki vake. Vahosi vakatenda
pamwe nekufadzwa noungwaru
hwevakomana vaviri ava.
Vainyatsoona ramangwana rine
upenyu mberi kwemajaya aya
zvichibvira patsika dzavo. Mambo
vakazouya ndokusvikogara pachigaro
chavo chaive pabvute. Majaya
akaombera kuratidza rukudzo kuna
mambo wavo zvinova zvakafadza
mambo kuti majaya ane hunhu uye
kugona kutevedzera chivanhu chavo.
Vakazokurukura vachibvunzana
zvese zvavaida kuziva pamusoro
pemajaya maviri aya. Zuva rakasvika
pakunovira vachikurukura havo,
mambo ndokuzokumbira majaya kuti
vagovaigira nyama yenyati sezvo
vainge vave nemwedzi yakati wandei
vasina kuidya. Vakazopedzisira
nekuti vaisafanirwa kuenda
kunovhima naBudzi pasina mvumo
yavo zvinova zvakarwadza moyo
waBudzi zvikuru. Akamboedza kuda
kuvanyengetedza asi vakarambisisa
zvachose vachibva vatopamhidzira
kuti kana vaizoenda naye, akawana
chinomuwana ndiwo waive mugumo
wekuona zuva.
Vakomana vaviri ava vakazo
onekedzana namambo ndokuenda
havo. Mashoko avakaudzwa
akavavhundutsa vakangozviudza kuti
havaizoenda naBudzi kunovhima
zvekare. Vakarara vachirongana
zvekunotsvagira mambo nyama
yenyati asi zvakavanetsa kuti
vaizotangira papi sezvo yaisave nyore
kuuraya. Mangwanani ezuva raitevera
vakafumogura mitunhu vakananga
kuchamhembe kwemuzinda wavo.
Vari munzira vakasanganawo
nevarume vaviri vaitoendawo
kunovhima vachibva
vangofambidzana. Zuva rakavabudira
vachisvika paitangira rimwe
remasango emuzinda wavo rainzi
Gwamakunguwo. Vakafamba
nesango vachitsvakana nenyati asi
havana kubvira vadziona dzamara
vaneta. Vakafunga zvekumbogara
pasi vachizorora asi vakaona zvisina
uchenjeri sezvo vaisaziva mamiriro
esango iri. Vakakwira muzimupfura
ndokunogara kumusoro
kwavaikwanisa kuona mativi ose.
Vakagara kwechinguva varimo
vachingoona dzimwe mhuka asi ivo
vaingoda nyati chete. Zuva rogara
miti ndopavakazoona nyati mbiri
dzairwa dziri chinhambwe. Dzakarwa
kwenguva refu dzamara imwe
yasundwa ndokunopinda pakati
pemazitombo maviri ndokumanikira
ipapo. Imwe yacho ikati
ndazviwanirapo ndokuramba
ichitunga dzamara yavhunika gumbo
remberi isisagone kumira
yangopfugama. Nyati iya yakazotiza
mushe mekunge pasvika shumba
yavasina kuziva kuti yakabva nepi.
Mugadzaneuta achiona izvi akangoti
varume mudzimu wakombora
ngatiburukei nekuti chinono
chinengwe. Akati vaifanira kusvosva
shumba iyi dzisati dzauya zhinji
kuzobvutidzana nyama. Varume
vavaiva navo vakambosara varimo
mumuti vachitya shumba.
Vakatozotevera vave kumhanya
vaona kuti majaya haasi kudzora
tsvimbo. Shumba haina kurasa nguva
yakabva yangokwakuka ndokubata
gurokuro kana kubowa yakatadza
ndokubva nyati iya yangooma
yakadaro. Vakomana vakasvika
pedyo neshumba iya vatopakata
miseve yavo ndokubva
vangoiregedza nguva imwechete.
Yakasvikonzi zete nepadumbu
shumba iya ndokuvhunduka
ichidaukira pakadaro apo. Isati
yamboziva chiri kutora nzvimbo
vakomana vakabva vasvetuka
vachibuda mumakwenzi,
ndokuregedzera imwe miseve.
Vakamhanya mapfumo nenduni
zvatova mudenga. Yakasvikogadzwa
tsvimbo nepamusana nguva
imwecheteyo Mugadzauta achiwetsa
gano rake ndokuiti zete nemuchingoti
ndiyo pfau pfau tasa ikafa yakadaro.
Chiriporipotyo vakamhanyira kunyati
iya yainge yongotandadza
ndokuipedzisa nedemo.
Yakabvutidzanwa nyati iya vanhu
vachitema nyama dzavaida isina
kana nekutovhiiwa. Izvi vaiitira kuti
vakasike vapedza kusati kwauya
zvikara zvesango zvakaita semapere
neshumba. Dzivo haana kutambisa
nguva ndokukwachura bandauko
akazodeedza Mugadzaneuta kuti
vabatsirane kutema bvupa rechidya
negano. Varume vaviri vaya
vakangokwachura bandauko
rimwechete ndokutoti zvavo
zvakwana. Nenguva isipi majaya
akaruka banda ndokuisa nyama yavo
vachibva vangorurama kumuzinda
vachindonda. Vakanosvika
kumuzinda parunyanhiri vakawana
mombe dzatovharirwa
nemadzimbuya avo. Vakasvika
ndokutsveta banda riya paruware
vachibva vabatirana bandauko
vonanga kumisasa yashe.
Vachinosvika pachivanze
vakatambirwa naRuramai aitora
mbiya pachitanangare. Akangovati ba
-a ndokubva amhanya achipinda
mumba achideedza hanzvadzi yake.
Budzi akabuda ndokuona vamwe
vake vakasengana nebandauko
zvikamuvhundutsa. "Hatisi kugarisa
tauya neusavi hwamambo
hwavakaraira nezuro tichibva pano."
Akadaro Dzivo achitogadza
bandauko riya mudengu raiva seri
kwegonhi. Kana ari Mugadzaneuta
shaya dzakaoma ndokutadza
kuburitsa kana shoko rimwechete.
Meso ndiwo ainge akanzi dzi-i pana
Ruramai mwana wevanhu achigutsa
meso hake.

CHITSAUKO 21
Mugadzaneuta aishaya zvekuita uye
ainzwa hana yake kurova pese
paaiona Ruramai. Havana kuzogarisa
kumisasa yamambo kuya ndokuruma
nzira vakananga kwavo. Sevanhu
vainge vakaneta musi uyu havana
kutandara vakangopinda mugota
mavo vachangopedza kusvusvura
chirariro. Vakange vafamba mutunhu
wakakura kwazvo vakatakura nyama,
zvino mapendekete akange
ovakakata zvakasimba.
"Mugadzaneuta shamwari unoyeuka
here hope dzandakarota mambo
vachida kundibaya nebanga?"
Anobvunza zvake Dzivo akagara
akazendama nemadziro akatarisa
mudenga achiita seanoverenga
nhungo dzemba. Ipapo ainge
akabairira rutanda mumuromo
achingunopingurana netwunyama
twainge twamanikira mumazino.
Mugadzaneuta akagutsura musoro
achirwisanawo nerutanda rwake.
Ainge achitoshaya kuti hurukuro
yainge yatangwa nemumwe wake iyi
yaida kumbonanga nepi chaizvo.
Haana kuda kumhanya kudzivisa
mumwe wake semunhu waaiziva kuti
haaiwanzorotomoka kutaura zvisina
musoro. Akaenderera mberi Dzivo
achiti hope dzake dziya dzainge
dzazadziswa zvichibvira nemashoko
amambo ekuvarambidza kupota
vachibuda naBudzi kuenda
kunovhima. Mugadzaneuta achinzwa
izvi anobva aratidza kubengenuka
orangarira hope dzaDzivo nezvainge
zvataurwa namambo. Ipapo akabva
atoudza Dzivo kuti zvedi hope dzake
dzainge dzisina kupotsa. "Ipapo
unoreva idi Dzivo ini ndange ndisina
kana kutombozviisa mupfungwa
nguva yese iyi kuti tingapinda
munyatwa nekuda kwaBudzi uyu."
Anodaro Mugadzaneuta aratidza
kunatso jekerwa nechimiro chainge
chiripo. Dzivo akadavidza mumwe
wake achimuti zvino ishe zvavainge
vasingade naBudzi munhurume
kuzoti mwanasikana wavo Ruramai
vaizotendera mawara here paari.
Akataura izvi ane chokwadi kuti
Mugadzaneuta ainge atorwa moyo
nemhandara iyi. Dzivo aisatomboda
kana tsananguro kubva pamatarisiro
akange aitwa neshamwari yake iyi
kuti aidudzira rudo chero zvake asina
kukwanisa kudura. Panguva iyi
Mugadzaneuta aisatomboda kunzwa
kana chinomuvhiringa mafungiro ake
pana Ruramai. "Chinouya chinoona
ini usatya hako shamwari nokuti rudo
harungavi mhaka pauso hwaani naani
zvake. Chakaipa kubhinya asi
kukumbira rudo ndiyo nzira
yakarurama yewanano." Akadaro
Mugadzaneuta asingambonzvengi
nekuti zvechokwadi akange atorwa
moyo naRuramai nemusi wekutanga
chaiwo kumuona. Dzivo akadavidza
mumwe wake achiti chaimuwana
nayewo chaizomuwana nokuti
hapana pavaizosiyana nyangwe
zviome zvidii. Naizvozvo akayambira
shamwari yake kuti itambe
yakachenjera sezvo chinoponda
chisingataure. Pachokwadi Dzivo
aingoburitsa hake mashoko eyambiro
asi nayewo ainge
achinyatsogutsikana nerunako
rwaRuramai. Aitoziva kuti
Mugadzaneuta akangowana
mhandara iyi anenge anyatsowana
mudzimai wamandorokwati. Zvisiri
zverunako rwega pana Ruramai tsika
ndipo paiva pamusha padzo, ainge
akarairwa akateerera. Chinhu
chaakange asina chokwadi nacho
ndechekuti musikana uyu
aizopfimbwa akabvuma here kuvaka
musha naMugadzaneuta. Izvi hazvina
kuuya nekushora sahwira wake asi
kutotyira mambo pachavo kuti
vaigona kuzviramba. Hongu moyo
muti unomera paunoda, asi pane
dzimwe nguva moyo iwowo unogona
kumereswa pausingadi. Izvi
zvaiwanzoitika kazhinji mumhuri
dzeumambo idzi vachida kuti
vawanane pachavo, zvagara mombe
dzakakora dzinonanzvana. Hope
dzakazovanyangira ndokuvata havo
dzamara kwaedza.
Zvakabva vana Mugadzaneuta
kumuzinda, Budzi akasara
akabatikana neshungu.
Zvakamurwadza kuziva kuti vamwe
vake vainge vauraya nyati iye asipo.
Akashuwirawo kuti dai ainge aripowo
angadai akadzidza zvimwe
pakuuraya mhuka huru seiyi.
Akanzwa kuvenga baba vake
nekumudzivisa kwavainge vaita
kufamba nana Mugadzaneuta zvisina
mvumo yavo. Zvisinei
akazongozvisimbisawo semurume
sezvo painge pasina chekuita yainge
yatodeuka iyi. Amai vake vakazviona
kuti jaya rainge richishungurudzika
ndokumbozama kumunyautsa moyo.
Vakamutaurira kuti asanyanya
kuzvidya pfungwa nekuda kwenyaya
yekuvhima iyi nokuti basa rainge
rakamumirira mberi kwake rainge
risina chekuita neuhombarume.
Aifanira kuisa nguva yake zhinji
mukudzidza zveutongi zvose kuitira
kana azosara pachigaro
asazonetseka. Haana kuvanzira amai
vake Budzi akabuda pachena kuti
aidawo kumbofambidzana nevezera
rake kwete zvekuswera neharahwa
misi yose. Mangwanani aitevera
VaMaidei vakamuka ndokubvuwa
kasadza kavo kemhunga neusavi
hwenyati. Vakanomutsa murume
wavo asati aenda kudare kuti amutse
nyoka. Mambo vakashamisika
kwazvo kuwana sadza nousavi
hwavaidisa chose. Zvakavanetsa kuti
hwakange hwabvepi nokuti vakange
vamboudzwa zvekare kuti usavi
hwemhando iyi hwakange hwapera
mumba. Imwezve nyaya
yakanyanyovashamisa ndeyekuti
usavi hwacho hwaisava chimukuyu.
VaMaidei havana kuda kumirira
kubvunzwa pavakaona ishe
vachishamisika. Vakatsanangurira
mambo kuti majaya avainge varaira
kuti vavatsvagire usavi vainge
vazadzisa zvido zvashe wavo.
Mambo vakakatyamadzwa kuti
majaya aya ainge atozadzikisa
nenguva pfupi yakadaro. Vakadeedza
Budzi kuti ayende anodana shamwari
dzake idzi nekuchimbidza. Nenguva
isipi vakomana ava vakasvika
kumuzinda vachitotya kuti kwainge
kwakanaka here kubva vaita
zvekumutswa vachakarara kudaro.
"Makabata basa guru chaizvo
mazijaya asi ndinoda kuziva kuti
makauraya sei mhuka iyi." Vanodaro
ishe vachibva vagadza mukombe
wemvura pamuromo ndokukutura
wose vasina kuzorora. Dzivo
akarondedzera nemo nemo vanhu
vose vaivemo vainge vakangoti
nzeve kwangwa sedzetsuro vachida
kunzwisisa. Pakataurwa zveshumba
munhu wese akavhunduka kana
mambo zvakavanetsa kuti majaya
aya aive ega here kana kuti pane
zvaivashandisa. Vakafadzwa chose
mambo kuti munyika mavo makange
mune mhare dzakadai kumazera
echidiki. Izvi zvakavapa manyawi kuti
nyika yavo yakange isingazoparadzwi
nemuvengi kana kuri kuti ivo
vazodanwa nemadzitateguru avo.
Vakazosimuka havo mambo voenda
kudare vashisiya majaya
achikurukura naBudzi. Nguva yese
yavainguno taura Ruramai aive
akateya nzeve atokanganwa rusero
rwaive nenzungu dzaaipepeta.
Pakaenda baba vake akabva aenda
kunogara pana amai vake
ndokukwazisana nana
Mugadzaneuta. Amai vake
vakazviona achitarisana
naMugadzauta havana chavakataura
dzamara majaya maviri aperekedzwa
naBudzi. "Nhai Ruramai mwanangu
rwave ruviri ndichikuona, majaya
maviri aya paanouya pano kuti
unoratidza kusagadzikana, chero
nebasa chairo hautozomboite. Chii
chaizvo chiri kutora nzvimbo chausiri
kunditaurira ini samai vako?" Vakaro
VaMaidei vakatarisana nemwana
wavo uyo akangovanda nemunwe
achiti aisambotarisa vakomana ava.
Akati iye panouya vakomana ava
anenge achifadzwa nemufaro unenge
una Budzi. Vakaseka zvavo VaMaidei
vachiudza mwana wavo kuti vakange
vasiri pwere pazera ravakange vave.
Akangoseka-sekawo Ruramai
achitadza kuzvivanza pachokwadi
chainge chaonekwa namai vake.
"Hapana chakaipa hapo mwanangu
ziva kuti ndakabva nako kumhunga
hakuna ipwa. Chandinoda uzive
ndechekuti chero ukayevedzwa
zvakadii nemukomana unofanira
kudzikama wozvibata kusvika
wakumbirwa rudo. Haufaniri iwe
kutungamira mberi nokuti
zvinoshaisa chimiro, zvinoda varume
ava hazvisi zvizhinji bodo. Mamwe
maitiro anokuderedza chose
nyangwe ukava nerunako rwakadii
pauso hwako. Hakuna mubereki
asingade kuroorerwa nemhando
yevakomana ava nokuti imhare uye
vane tsika dzinofadza chose."
Vakadaro mai vachiraira mwana
wavo kuti asazoita hunzenza
panguva yokupedzisira youmhandara
hwake yakadai iyi. Ruramai
akabatikana kwazvo nechimiro
chakange chiri muraramo yake.
Akaudza amai vake zvaiva pamoyo
wake kuti ainge asina kusunungukira
kutonga kwababa vake
kwekusamutendera kumbofurwawo
nemhepo achifamba mumuzinda
savamwe vasikana. Akatovaudza kuti
dai baba vake vainge
vakamusunungura zvichida angadai
akawanikwa kare kare. VaMaidei
vakamusimbisa kuti asanyanyofunga
nezvazvo nokuti zvagara chimwe
nechimwe chine nguva yacho.
Hurukuro yevaviri ava yakaenderera
mberi kusvikira Ruramai azodurira
mai vake kuti kana kuri kunzi
asarudze waanoda pavakomana
vaviri ava aizoshara Mugadzaneuta
nokuti ndiye ainge aba moyo wake.
Semadzimai vakazotaurawo zvizhinji
vachiratidzana gwara roupenyu
hwakarurama. Vakashandisa mukana
iwowu wekuva vega pasina mumwe
angavhiringa.

Nerimwe zuva masikati Budzi


akaonekana naamai vake achiti aida
kuenda kudare kwaainge adeedzwa.
Achangobva kumisasa uku
Mugadzaneuta naDzivo vanobva
vasara vachisvika ndokuwanikwa
zvichinzi achangoenda. Ruramai
aitotswa hake mashazhari achiimba
hake rwiyo rwainakidza. Izwi rake
rainge rakatsetseka zvaitapirira
nzeve. Achingunoimba kudaro
anobva anzwa mazwi ekutaura
kwana Mugadzaneuta mwanasikana
ndokunzwa hana ichirova. Akamboda
kuti aende kuimba yokubikira
kwavaive asi akatya kufungirwa
naamai vake ndokubva adzikama
hake. VaMaidei vakada kuona kana
mukomana ainge achishairwa hope
nemwanasikana wavo ainge
achinzwawo zvimwechete naye.
Vakamboti dhu-u kufunga zano
ravangaite chiriporipotyo vakabva
vatobuda naro. Vakakumbira Dzivo
kuti avapindirewo mudura renzungu
avanokorere dzavaida kutokonyora
kuti vagadzire dovi. Vakanomuvhurira
sasa mukomana ndokusvetukira
mukati hake asina kana
kumbofungira chinhu. Mugadzaneuta
vakasiya vamuti abatsirane
naRuramai kutswa vachimirira Budzi
uyo aizodzoka munguva shoma
yaitevera. Mugadzaneuta akapota
seri kwaiva naRuramai ndokunzwa
moyo wake uchinyevenutswa neizwi
remusikana uyu.
Kuna Kweto kwakange kusina
chakanaka zvipfuyo zvamambo
Tsindikwa zvichiramba kubira rwizi.
Yakava bata murefu bata mupfupi
vachidzinganisana nazvo izvo
zvichiita sezvasvikirwa. Zvakatora
nguva inenge chidimbu chezuva rese
vanhu vachimhanyisana nezvipfuyo
zvikuru sei mombe ndidzo
dzainyanya kunetsa. Chambwe
akazotorana naTangai voenda padivi
pavo vega apo vakatozoita
zvekutanga vadeketera kumidzimu
ndokuzozarurirwa gwara. Mombe
dzakaita sekunge dzisidzo
dzaimbonetsa mushure
mekudetemba kwana Chambwe.
Dzakatopinda murwizi dzichimhanya
zvadzo miswe iri mudenga.
Vakafamba zvishoma nezvishoma
kuitira kuti dzifure. Mazuva
akapindana dzamara vanoti muna
Chamapenzi nyengu munguva
dzerudziyakamwe. Vakaswera
vachidzifudza muna Chamapenzi
bani repedyo nemuzinda
ndokuzoenda kumuzinda zuva
ratotsvuka. Vakatanga kuimba
vasarirwa nechinhambwe kuti
vasvike kumatanga emombe. Zengu
ndiye akaruvamba rwiyo nezwi riri
pamusoro uku achiuchira.
Hooyeeee hooyeeee...!
Hoiyereree Samanyanga
Samanyanga woyeeee
Hoyeeee mudondo unotsvakei
Samanyanga
Yakarira yakarira yakarira
Samanyanga
Samanyanga hooyeee hooyeee
Rwakapfumbira rwiyo vanhu
vachidavirana zvaidakadza pamwe
nekunyaudza nzeve. Muzinda wose
wakavharira vanhu ndokumanyidzana
panze vachida kuona kuti chii
chakange chichitora nzvimbo. Kana
naidzo mombe dzakatoshayawo kuti
zvaita sei asi kwekutizira kwainge
kusina nekuti dzaive dzakakombwa.
Vakasvika ndokudzivharira
mumatanga ainge afanovakwa varwi
vese vainge vasara mumuzinda
vakanzi rainge rave janha ravo
rekudzitarisa. Mambo vakazadzwa
nemufaro nekudadisa kwainge
kwaita varwi vavo vachibva vatoti
doro raifanira kuvambwa mangwana
kuti vaite mhemberero idzi. Mazuva
akafamba doro rikapiswa mushure
memazuva manomwe rainge ratovira
pfuko dzoyeredza misodzi yaro doro
jena rainge mukaka. Musi webira uyu
raingove beswana semateza vanhu
vakananga kumuzinda washe uko
kwaive nemachikichori. Kana vana
musiyadzasukwa vakatanga vaine
nhafu asi yakasvika pakupera. Rakati
zuva rorova nhongonya Chambwe
akambonyaradza vanhu kuti ishe
vawane kutaura mazwi
mashomanana avaive navo. Mhururu
nemheterwa zvakaridzwa mambo
vachisimuka, vamwe vachiuchira.
Mambo Mabharivari vakazosimudza
nduni yavo vanhu ndokuti zii
vachikuvamha pasi sezvihukwana
zvaona ruvangu. "Chekutanga
ndinokutendai nekuuya
kuzopemberera basa guru rakabatwa
nevarwi vemuzinda uno. Chepiri
ndinoti kwamuri varwi vangu mose
muripo yenyu yakakumirirai. Handina
zvizhinji zvandinoda kutaura asi
ndinoti nedzoi kumhuri dzevarwi
vangu vakatsakatika. Mibairo yavo
yose inopiwa kumhuri dzavo
nyangwe vasisipo havo panyika.
Changamire vakatendeukira kwaiva
kugere varwi vose vainge vabva
kuhondo. "Mubairo wekutanga
ndinoupa kuna Chambwe uyu
ndichamupa mombe makumi matatu,
Zengu makumi maviri kuchitiwo
tangai gumi nembiri. Varume ava
ndivo vaitungamira vamwe noukuru
hwavo naizvozvo vanokodzera
kuwana izvi. Vamwe vose
muchapiwa mbiri pamunhu nembudzi
dzamara makwana mose."
Vanopedzisa nekugova pfuma ishe
vachibva vagara pasi mutambo
uchibva waenderera mberi hawo.

CHITSAUKO 22
Ngoma yakadandaurwa zvaidakadza
moyo nenzeve. Vaidzana vakaita
sevachavhunika makumbo nezviuno,
vairidza hosho vaiita sevachadzisiya
dzabooka. Akange ari makuwerere
pamuzinda vanhu vachifara zvavo.
Zvokudya zvaiva mavhu nemarara
vanhu vachiita saruraude, vemupeta
vakaita sekunge huro dzichatushuka
nekunwa. Vanhu vakazotanga
kuparara pamuzinda zuva rogara miti.
Vana musiyadzasukwa vakatovata
pamuzinda ndokutozoenda kudzimba
nezuva raitevera racho.
Mugadzaneuta zvaakapota seri
kwemba kwaiva naRuramai, akanzwa
moyo wake kunyevenutswa nezwi
remhandara iyi. Akanyemwerera
zvake ndokuswedera pedyo apo
akagadzirisa pahuro kuti awane
kutaura zvakatsetseka. Rumarai
akavhunduka panguva imwecheteyo
ndokutsikitsira pasi ave kunyara
kutarisana naMugadzaneuta. "Izwi
rako rakatsetsa shamwari rinopa
upenyu kumoyo nenzeve dzinenge
dzarinzwa richiimba." Anodaro
Mugadzaneuta achisekerera
akatarisa musikana uyu kumeso
chaiko. Ruramai akangonyemwerera
ndokutarisa divi asingade kuramba
akatarisana nemukomana uyu. Ipapo
Mugadzaneuta achiona kunyara
kwemusikana uyu akabva atoti tsvatu
waro. "Runako rwako rwunotosvora
moyo wangu shamwari.
Handingambovi murume kwaye
ndikange ndisinewe muraramo yangu
Ruramai. Kubva musi wandatanga
kukuona pano ndakazvipira kuti
ndirarame newe dzamara ndatorwa
nerufu." Anodaro Mugadzaneuta
achiswedera pedyo pedyo naRuramai.
Musikana uyu anoratidza
kusanzwisisa mashoko ejaya iri,
ndokubvunza kuti akange achirevei
chaizvo. Mugadzauta haana kuzoda
kurova imbwa akaviga mupinyi,
akabva anyatsoti dyo-o chaipo
pamwongo penyaya yake. Ruramai
akavhunduka pamwe nekufarira
kwaasina kuburitsa pachena apo
achinzwa mashoko erudo kubva kuna
Mugadzaneuta. Vaviri ava
vakakurukura nyaya iyi kwechinguva
uyu musikana achitsenga mukanwa
kutadza kudura chaipo paainge amire.
Dzivo akasvika pakuuya pavaiveri
pasina mhinduro chaiyo yaidiwa
naMugadzaneuta. Zvisinei vakomana
vakayenekana nemusikana uyu
ndokuenda havo, panguva iyi
mashazhari aiva muduri ainge
atonaka kare. Mugadzaneuta
akaenda moyo wake uchifara kuti
akange akwanisa kudurira Ruramai
zvaive pamoyo pake. Nyangwe zvake
asina kupiwa chiedza panyaya iyi
akazvisimbisa achiti hakuna munhu
akambodyara mbesa nekudzikohwa
nezuva rimwechete. Nedivi rakewo
musikana akasara achinyemwerera
zvekusiya meno ainge akachena kuti
mbembe semukaka. Akavhundutswa
naamai vake vakasvikomira
kumashure kwake vachibva
vagadzirisa pahuro kuti vawane
kutaura. Amai ava vakafara kunzwa
kuti mukomana ainge atora mwoyo
wemwanasikana wavo nayewo
akange anguva atosvorwa
nemhandara iyi. Vaviri ava havana
kuzotaura zvizhinji vakabva
vanogadzira pamwe nekugadza
mashazhari avo pamoto.
Musi waitwa mabika pamuzinda,
Mugadzaneuta akatorana naDzivo
vonangawo kumuzinda. Chinangwa
chaMugadzaneuta chaisava chekuda
kunopemberera nevamwe kwete.
Akange achida kunoona Ruramai,
aitoda kushandisa mukana iwowu
wekuungana kwevanhu kutaura
nemhandara iyi panyaya yake yaainge
asiidzira panzira. Vakasvika
pamuzinda achingova makuwerere
vanhu vachipemberera zvavo.
Havana kugarisa paungano iyi
vakabva varurama kumisasa
yaVaMaidei kunotarisa kana Ruramai
aiveko. Iyewo musikana pakasvika
vakomana ava akanguva avaona kare
asi akashaya kuti ovataudza sei.
Paakavaona vachinanga kumisasa
yavo akabva atongosimuka paainge
agere ndokumhanyirako nerimwewo
divi. Vanhu ava vakasvikirana
pamisasa yavahosi vamambo.
Mugadzaneuta haana kuda
kuparadza nguva nekuswerovhiya,
akatorana naRuramai voenda padivi.
Vakakurukurirana vaviri ava
vachikakatira mativi akasiyana.
Mugadzaneuta akaruma muromo
wezasi osvosvera mhuka yake
mumambure nyangwe zvayo yaizama
kupunyuka. Ruramai panguva
yaakange aneta nekukakavara oda
kutora gwara remambure
aMugadzaneuta, uyu Dzivo anobva
atiwo pfacha kusvika pavaive. Haana
kuda kumirira kupiwa mukana
wekutaura Dzivo akangozivisa vaviri
ava kuti Budzi akange achiuya
kumisasa uku. Ruramai
akadongorera kwainzi kuri kubva
naBudzi iye ndokusvova nerimwewo
divi asina kuonekwa. "Tazviziva kuti
tikakumirira pano haumboite nguva
huru usina kusvika." Anodaro Dzivo
achigamuchirana naBudzi vakomana
vachibva vatorana vonogara seri
kwegota raBudzi pabvute.
Vakakurukura dzakasiyana-siyana asi
zhinji dzacho dzaiva dzekuvhima
pamwe nekushandisa zvombo. Vana
Mugadzaneuta vakazosvika
pakutaurida Budzi kuti nezura
raitevera racho vaizoenda kuna
Kweto. Vakange vasuwa zvigwaya
kunzwa nhomba yekuseva nemuto
muchena. Vakazoyenekedzana
nemumwe wavo uyu ndokunanga
kumana kwavo Budzi achisara
opindawo mugota make. Budzi
akasara moyo uchitsva neshungu
kuti vamwe vake vakange vachienda
kurwizi iye achisara. Mukomana uyu
akange atova munhu uya anoda
kuziva zvizhinji kuitira kana azogara
paumambo asaita zvizhinji
zvekunzwira muhurukuro. Akaronga
zano rake ndokumirira kuti kusvibe
agoudza baba vake maererano
nekuenda kunovhima nevamwe chero
aiziva kuti havabvume. Semazuva
ose ishe vakauya voonekedzana
nehosi yavo voenda kunorara. Budzi
akatora mukana iwowu ndokupinza
nyaya yake mudariro. Semunhu ainge
ambosvuta mikombe miviri yedoro
mambo pavakanzwa chikumbiro
chemwana wavo vakabva vatonzwa
sevakange vatukwa. Vakananavira
mwanakomana wavo
ndokumudzemura nekumapanga
sadza achibva anowira mumakumbo
maamai vake. VaMaidei vakaridza
mhere vachipopota kuti aiva maitiro
erudzii akange oitwa nemurume
wavo kubva varova mwana
sevachauraya kudaro. Budzi
akatoona kuti pakange pasina
chakanaka ndokusimuka asina kana
kuti bufu ndiye dhugu hoyo nyengu
mugota make.
Mambo vakange votovira nehasha
nokuti nyaya yekunovhima iyi havana
kutombobvira vaisunungukira kana
nepaduku pose. Vakazobuda muimba
yokubikira iyi voenda kunorovera
matama pasi muhozi yavo. VaMaidei
vakasara vachisvimha misodzi
ndokutumira Ruramai kunodeedza
hanzvadzi yake. Akasvika
ndokugogodza pasasa asi hapana
akamupindura achibva azama
kusunda sasa richibva raramba
kuzaruka nekuti rainge rakatsigirwa
nemukati. "Mukoma ndini Ruramai
zvanzi muuye kuno naamai vari
kungosvimha kana nekudya
varamba." Anodaro Ruramai achiedza
kunyengerera hanzvadzi yake asi
mhinduro yaakapiwa yakamutyora
mabvi. Budzi akaudza hanzvadzi yake
kuti haaizobuda panze kunotarisana
nevanhu vasina hany'a naye
vanongoisa pfungwa dzavo
paumambo chete vasingatarisewo
zvimwe zveupenyu. Budzi
akarambisisa kubuda mugota make
dzamara Ruramai otanga kuchema
aripo pamukova wegota.
Mwanasikana akange asisachazive
chekubata zvoti baba vainge
vakatofuta nehasha, mai
vachingopfikura kuchema uku
hanzvadzi yozvipfigira mumba. Budzi
akanzwa moyo kurwadza kunzwa
mwana wamai vake achisvimha ari
pamukova wemba. Neshungu
akazarura musuwo ndokutorana
naRuramai voenda kunonyaradza
amai vavo. Moyo wekubereka
wakange wavabata VaMaidei ipapo
vakanzwa ura kuvava zvavakaona
mwanakomana wavo
achiumburudzwa neganyamuto
yembama. Chimwe chinhu zvekare
chainyanya kuvarwadza ndechekuti
dzimwe nguva murume wavo aibata
Budzi semubvandiripo.
Vakanyaradzana mai nevana vavo
ndokuzoyenekana nguva dzadyana
chaizvo voenda kunorovera matama
pasi. Budzi zvaakadzokera mugota
akasvikorongedza zvombo zvake
ndokumbogara achimirira kuti vanhu
varare. Akazoti anzwa panze pati zii
achibva azarura sasa zvinyoro-nyoro
ndiye dhugu. Varindi vake
vakamboedza kumudzivisa asi
vakamutadza, dzamara vangozoti
kwamunoenda nesuwo toenda.
Vakabuda vakadungamidzana
ndokuwana varindi vepasuwo
rerusvingo vachitoridza ngonono
havo. Vakapfuura zvakanakisisa
ndokururama kumisasa yekwana
Mugadzaneuta. Varume ava
vakambopererwa apo vakasvika
Mugadzaneuta asimo mugota make.
Vakamboita chinguva vamire pagota
raMugadzaneuta vachiratidza
kupererwa nezano rekuita. Budzi
akamboti dhu-u kufunga pasipo
ndokuzoraira vamwe vake kuti
vanotanga kutarisa kwana Dzivo
vozoita rimwe zano kana vavashaya
ikoko. Muchinda uyu akanzwa moyo
wake kunyevenuka paakawana
Mugadzaneuta naDzivo vavete kwana
Dzivo kuya. Ivo vakomana vacho
vakambopindwa nechando kuona
Budzi achisvika kumisasa yavo
panguva dzakadai idzi dzousiku. Iye
Budzi wacho akabva atochimbidzika
kurondedzerera vamwe vake ava
mamiriro enyaya yake yose.
Mugadzaneuta naDzivo
vakambopokana nepfungwa yekuti
Budzi avatevere kuna Kweto iyi
zvichibvira nemashoko eyambiro
avainge vambopiwa namambo.
Vakamboedza kudzivisa Budzi asi
mukomana wacho akange ari
chandagwinyira chaiye.
Vakazongowirirana naye Budzi uya
ndokurongana mafambiro avaida
kuzoita kana vobva pamusha
mangwana acho. Hweva
huchinotanga kutsvuka kumabvezuva
vakomana vakabva vamutsana
ndokuruma nzira vakananga kuna
Kweto. Kunze kwakazoti kwanyatsoti
ngwerewere kuchena Dzivo akamisa
vamwe vake achiti anoda
kuvarondedzerera hope dzaainge
asangana nadzo musi uyu. Muhope
dzake akatsanangura kuti ainge aona
Budzi achirumwa nenyoka huru
kwazvo. Dzivo paakada kunobata
nyoka iya akabva aona kuti yaisava
nyoka asi waitova museve wainge
wabaya zvakadzika. Panguva
yakange Dzivo ave kurwisana
nekudzura museve uya varindi
vaBudzi vose vakabva vawira pasi.
Achiri mukushushikana Dzivo anobva
asimudza musoro
ndokusanganidzana nevarwi
vakashonga zvishongo zvemuzinda
wavo asi vanga vakavhara kumeso.
Vanhu vaya pavakaona kuti
vaonekwa vakabva varegedzera
imwe miseve zvekare asi umwe
pawanga woda kubaya
Mugadzaneuta pakabva paita
chamupupuri. Anoenderera mberi
Dzivo achiti vakwanisa kutiza iye
ndokuzopepuka vave mune rimwe
bako vari vana. Varume vose ava
vakambobatwa nekutya kusara
kwaiye Budzi uyo akatoseka hake
achiti hope dzaDzivo idzi
dzaingovawo dzemunhu akarara
achitya kwete kuti pane zvaizoitika
kwavari. Muchinda uyu akaramba
akasimbaradza zano rekuti vapfuurire
mberi nerwendo, vamwe
ndokuzobvuma havo asi pfungwa
zhinji dzainge dziri kumuzinda.
Vakazosimudzira havo nerwendo
rwavo ndokunozorora vave mune
chimwe chikomo umo vaisvuura
makavi ekugadzirisa maduwo
ekubatisa hove. Mugadzaneuta
naDzivo ndivo vaigadzira sezvo vari
ivo voga vaive neruzivo nazvo,
vamwe vaive vakangoyeva. Vachibva
apa vakabva vangorurama kurwizi
vasina kumbopoterera kana kutya.
Hazvina kuvatorera nguva huru
kusungirira maduwo avo pamikosi
yavainge varuka yakakora uye iri
mirefu chaizvo. Vakaisa masese
mukati vachibva vakanda muzidziva
raivepo ndokusungirira mikosi pamiti.
Vakabva vambotanga kutenderera
nesango vachitsvaga michero. Zuva
ratorereka ndipo pavakati chiregai
tinotarisa maduwo kana akange
abata. Vasina kure kwavainge vaenda,
vose vakavhunduka kuona
Mugadzaneuta achi..!
Hutonga hwakange hwanyatsoti
piriviri shiri dzomutsana
dzichibvunzana dzehope. VaMaidei
vakamuka ndokugumha gumha
zvitsiga muchoto vachitarisa kana
zvaive nemoto. Vakavesa moto
ndokugadza tsaiya pamoto kuti
vagokurungura murume wavo bota
asati aenda kudare. Vachimirira
kudziya kwemvura pfungwa dzavo
dzakabva dzavasundira kunoona
kana mujaya wavo ainge arara
zvakanaka semunhu ainge arara
akadumbirwa. Vakasvikorova gonhi
asi hapana akadavira,
ndokuparovazve rwepiri ndokungova
zvimwechetezvo. Vakanzwa hana
yavo kuti tibvu ipapo vakacheuka
mativi ose vachitarisa kana pakange
pane mumwe wevarindiri vaBudzi asi
havana wavakaona. Vahosi ava
vakasundira gonhi mukati ndokubva
ravhurika ivo vachiritevera shure
kwaro. Vakadongorera mukati
ndokuwana musina munhu matehwe
akatoiswa pamutariko kuratidza kuti
munhu akange amuka dzave nguva.
Vakamanya kunhaga yaRuramai
ndokugogodza achibva adaira
ndokumuka ozarura sasa. Akange
atogadzirira kumuka hake pakazouya
amai vake apa. Ruramai ainge asiri
mhando yevasikana vanobudirwa
nezuva vakarara kwete.
Mwanasikana akabvunza mai vake
kuti chii chakange chichivadya moyo
mangwanani akadaro. "Hanzvadzi
yako haimo mugota mayo chero
varindi vake havapo. Nhasi
tinooneswa chitsvuku nababa vako
kana achinge aenda kusango
kwaakarambidzwa zuro. Rega
nditonovaudza vaone zvekuita nguva
ichipo," vanodaro VaMaidei
vachitomhanyira kuhozi yashe.
Ruramai akangosara akati kanha
pasipo ndokumhanyirawo kuimba
yaBudzi kunozvionera pamhuno
sefodya. Mambo vakaviruka nehasha
kunzwa kuti jaya ravo rainge raisa
zvitanda munzeve payambiro yavo.
Vakapupira furo kumuromo
vachipopotera mudzimai wavo
sezvinonzi ndiye akange atuma
mwana kubuda pamusha nenguva
dzakadaro. Chambwe akadeedzwa
nenguva isipi ndokusviko chonjomara
pamberi pashe. Akaudzwa kuti
atorane nemamwe mauto vatevere
Budzi kuna Kweto kwaainge
ambokumbira kuti anoda kuenda
madeko ainge adarika. Ishe vakaudza
Chambwe kuti mwanakomana wavo
vaimuda pamuzinda nekuchimbidza
pamwechete neny'any'a dzainge
dzamufurira kupoya. Varindi
vepasuwo vadeedzwa asi hapana
kana umwechete akagona kudavidza
nyaya yaBudzi iyi nokuti vakange
vasina kumuona achibuda. Mambo
vakaita kuvira nehasha
ndokuisimudza tsvimbo ichinogara
pakati pemusoro pemumwe
wevarindi ava ndiye pfau pfau zii
akadaro. Vamwe varindiri vachiona
izvi vakabatwa nekutya kukuru nokuti
vakange voziva zvaivawira mugwara
ravo. Vasati vatombowana zano
rekupunyuka vakabva vanzi
vanokandwa muzariro remhondi vose
vozotongwa kana Budzi achinge
awanikwa.
Chambwe nevamwe vake zvavakabva
pamuzinda vakarurama kumisasa
yaVaMusekiwa ndokusvikoudzwa
kuti Budzi ainge adarika nepamusha
pavo usiku hwapfuura. Vakaenda
kumisasa yaVaMarwei vakaudzwa
kuti vazukuru vavo vainge vaenda
kunoshava kuna Kweto. Varume ava
vakava nechokwadi chekuti Budzi
ainge abuda nevakomana ava.
Vakabuda pamisasa ndokuronda
matsimba avo vachibva vatanga
kukwitima vachitevera. Vakagura
mitunhu vachingoronda pose painge
patsika vana Mugadzaneuta.
Matsimba akazovarasa voda kusvika
kuna Kweto, vachibva vambogara
pasi kuzorora uye kufunga gwara
ravaizotora. Zuva ratorereka ndipo
pavakanzwa kutaura kwevanhu vaive
chinhambwe vachibva varurama
kwaibuda nemazwi. Vave pedyo
zvekuita nhanho zana vakatanga
kuvanda nemakwenzi vachinyahwaira
kuti vasvike pedyo. "Shiye mbiri idzi
dzakabvira kare kuda kuzviita
vangwaru pavamwe vose zvino nhasi
gava radambura musungo. Iwe
Zengu torana neumwe muende
nekudivi rezasi uko, Tangai toranai
muende nekumusoro uku, toda
kuvasvaira kurwizi vasambowana
kupunyuka." Akadaro Chambwe
achizevezera vamwe vake ndokubva
vatoparadzana. Chiriporipotyo
Chambwe akaisa museve wake
pagangauta ndokukweva akananga
Mugadzaneuta padundundu chaipo
ndokuuregedzera zvine simba.

CHITSAUKO 23
Ivo vakomana vacho vainge
vasingamboroti havo kuti kunze
kwakange kunei. Sezvineiwo
Mugadzaneuta akakanda nhano
imwe kubva paainge amire panguva
imwechete yakapotserwawo museve
naChambwe. Asati atombogadza
gumbo pasi akanzwa kuti zete
pamuti waainge akazembera.
Mugadzaneuta akacheuka ndokuona
museve wakanyura pamuti waakange
akazembera muchinguva chipfupi
chadarika. Zvinhu zvacho
zvakangoitika munguva ingaita
sekubwaira kweziso. Mugadzaneuta
akasvetukira kwakadaro uko
ndokunovanda nedombo
ndokutodanira vamwe vake kuti
vavande. Chiriporipotyo wakauya
mumwe museve uchibva nekuna
Zengu ndokusvikoti zete mumusoro
chaimo memumwe wevarindi
vaBudzi. Murume uyu akangoti ze-e
dhii ndiye pfau pfau zii asina kana
kuti n'ee chaiko. Vakomana vachiona
kuti pakange paminama vakabva vati
chitsoka ndibereke vakananga
kurwizi. Chambwe achiona izvi
akanyemwerera nokuti ndizvo
zvaakange achida chaizvo kuti
vakomana ava vasvosverwe kumvura.
Izvi aiziva kuti vakatinhira majaya
kurwizi hakuna kwavaizotiza nako
zvaibva zvavaitira nyore kubata
mhuka dzavo. Dzivo nevamwe
vasina kure kwavaenda umwe
wevarindi akagarwa nawo museve
nekumusana uchibuda nemuchipfuva
ndiye pasi nyonde nemuromo
ndokutonhora akadaro. Budzi
achiona zvese izvi akavhunduka
zvikuru ndokukanda zvombo zvake
pasi mukomana achiti asawana
chinomukanganisa kumhanya. Vana
Chambwe zvavakaona kuti majaya
otiza vakati ndomukana wokutevera
shure vachivariga nemiseve rumwe
rumwe. Vakomana ava zvavakasara
vave vatatu vakatanga kumhanya
vachipesana pesana kuitira miseve
isavawana nyore. Pfungwa iyi
yakauya naMugadzaneuta.
Vakamhanya chinhambwe asi Budzi
akatanga kuyaura nemaneto ave kuti
haachagona kuramba achitiza.
Akange atozvipira kusangana nerufu
hake nokuti chipfuva chakange
chopisa. Dzivo akamubata ruoko
omusimbisa kuti vanozorora vave
mberi asi zvakashaya basa. Vachiri
munhaurirano yavo iyi Budzi
akakaruka augadzwa museve
wakasvikoti zete nepabendekete.
Nevanji washe akaikwetsura mhere
achiumburukira pasi. Dzivo achiona
izvi akavhunduka achisimudza chiso
panguva imwecheteyo ndokuita
mahwekwe naChambwe achitobaira
mumwe museve pagangauta.
Chambwe achibairira mumwe
museve pagangauta ainge achitoti
Dzivo apedza naye izvo asina kuona
kuti akange arova Budzi. Jinda iri
parakazosimudza musoro rakanzwa
simba richimuperera ziya rikati teu
teu ndokukanda zvombo pasi. Vana
Zengu vachisvikawo paakange ari
vakamuwana akagwadama pasi
achisvimha misodzi. Mugadzaneuta
achiona kuti Budzi ainge
aumburutswa nemuseve akanzwa
hasha dzichimubitirira nechinguva
chidoko ainge atozarirwa kare.
Akaridza tsamwa achitendeukira
kwaiva nanaChambwe ndokukakatira
museve wake divi iroro ziso rakati
piriviri nehasha. Vana Zengu vari
mubishi kubvunza chainge chatora
nzvimbo vakakaruka voona Tangai
aruma ivhu ane museve muhuro ropa
richipfapfaidzika kunge mvura
yetsatsa richibuda pahuro. Vachiri
kushamisika kudaro vakaona
mumwe wavo aumburudzwa zvekare
naDzivo museve uchiravira moyo uri
mudundundu munhu atova chando.
Mugadzaneuta naDzivo vakaita
sekunge vaive vasvikirwa vaingoti
kuregedzera museve munhu
otoumburuka pasi nekutofuka rake
oga. Chikwata ichi chakapera
muchinguva chidoko chingaita
sekubwaira kweziso zvekuti kana
naChambwe akatadza kunzwisisa
kuti chii chakange chichinyatsoitika
chaizvo. Chambwe akangosimuka
paainge agere ndiye chitsoka
nditakure achiteverwa naZengu.
Varume vakamhanya kwechinguva
ndokuzomira vave chinhambwe
votura mafemo. Vana Mugadzaneuta
vachiona izvi vakabva vamanyira
painge parere Budzi ndokusvikodzura
museve uyo wainge wabuda neseri.
Mukomana uyu akange ave
kurukutika nekuda kweropa zhinji
rainge rateukira pasi. Dzivo
naMugadzaneuta vakabatirana Budzi
vonanga naye kurwizi voda
kunomugeza ronda pamwe
nekumuisa mushonga wekumira
kubuda kweropa nekuchimbidza.
Avawo vana Chambwe vakatura
mafemo nenguva isipi vakange
vagadzikana zvino. "Chambwe
shamwari unoreva here kuti tatotiza
shiye mbiri idzi isu varwi vehondo
venyika ino?" Akabvunza Zengu
achidzungudza musoro kuratidza
kuramba kujairirwa nepwere idzi.
Chambwe anomboti dhu-u kufunga
pava pasipo ndokufinyamisa chiso
achisimuka pabwe paakange agere.
Akaraira Zengu kuti vanofanira
kudzokera kunopedzisa vakomana
ava votora Budzi vodzokera naye
kumuzinda. Nyaya yaaidira kuuraya
vana Dzivo ndeye kutya kurevererwa
kuti ndiye ainge auraya Budzi. Zvose
izvi zvakange zvichibvira pamabairo
aainge aita Budzi aitofunga kuti
mukomana uyu haararame.
Mafambiro akange achiita vana Dzivo
nemurwere wavo kana hamba
inosara pasi. Izvi zvakapa Chambwe
naZengu kuwana mukana
wekufamba kudzoka pamwe
nekuvawana vasati vabira rwizi asi
vainge vatova mumahombekombe.
Vakomana ava pavakagadzika Budzi
pasi kuti vatange kumugadzira ronda
rake vanobva vavhundutswa nezwi
raChambwe. "Kuwana anosimuka
kana kubata zvombo zvake munobva
matopararira ipapo!" Rakadanidzira
izwi raChambwe vose naZengu
vakatogadzirira kubaya. Varume ava
vakange vatosandura moyo
vatofunga kupfuudza zvose
nemwanakomana wamambo kuti
pasava neumbowo hwekuti vakange
vambomubaya nemuseve. Dzivo
akavhunduka ndokusimuka
achinonga pfumo rake raainge
ambosendeka pasi. Vana Zengu
vachiona izvi vakabva vairegedzera
miseve vose kamwechete. Nguva
yakaregedzerwa miseve iyi
pakangosimuka mhepo isina
kuonekwa kwayakabva nako. Mhepo
iyi yakavhuna makwenzi pamwe
nekuriga mamwe mapazi emiti yaive
pedyo sare mudenga mave kutogoka
huruva. Mhepo ichingunomonererana
nemakwenzi Budzi nevamwe vake
vakabva vawisirwa mudziva
chiriporipotyo. Chambwe naZengu
vakamanyira padziva riya
ndokuwana mvura yakatsvuka
pamusoro makarwe achingo
nyumbwira nyumbwira. Vakamira
kwechinguva asi hapana chavakaona
kunze kweropa nemakarwe zvinova
zvakavapa dudziro yekuti majaya aya
ainge aitwa usavi. Zengu
akamboramba achiti hauna kuona
chamupupuri here zvimwe vatorwa
nenjuzu. Chambwe akarambisisa
ndokuti zvikara zviviri izvi
hazvigarisane mudziva rimwe uye
ropa rainge ratsvukisa mvura
chiratidzo chekudyiwa kwemajaya
aya. Havana kuda kuzoparadza
nguva vari padziva iri, vaviri ava
vakabira mhiri ndivo tande
vakananga kumuzinda. "Zengu
ukangoti bufu zvaitika kuti ndabaya
Budzi nemuseve, iwe nemhuri yako
ndokuparadzai mose pasina
chinondiwana." Anodaro Chambwe
akatarisana nemumwe wake huma
yese yakazara manganda ziso
rakatsvukiswa kunge chiropa. Zengu
nekutya kwaaiita umwe wake
akatozviudza kuti haaizomboti bufu
kana nerimwe zvaro. Zuva rainge
zvino radoka vaviri ava
ndokunzunzutira kuti vasvike
kumuzinda kusati kwanyanyisa
kusviba.
Chambwe naZengu vakazosvika
kumuzinda munguva
dzeruvhunzavaeni vazhinji vatova
kudare. Vakarurama kudare
ndokuwana mambo vagere vakabata
rushaya. Varume ava vachingoti ngori
kupinda mudare vasati vatombogara
pasi vakabva vatemwa nayo
mibvunzo naishe. "Nevanji wangu
aripi? Ko iwo makora aabuda nawo
mamaponda ose kusango ikoko
here?" Vakabvunza mambo
vakaburitsa ziso kunge nzombe
yadzipwa nejoko. Chambwe
akashaya kuti opindura upi
mubvunzo pakutanga, uyu Zengu
ainge ongovanda kuseri kwemumwe
wake asingadi kana kupindura. Aitya
kuti zvimwe angataura nepasipo
akazokonana nemumwe wake
semunhu ainge ambopiwa yambiro
vari kuna Kweto. Ishe
vakakwamatata zvekare vachibvunza
kuti varume vaviri ava vainge vasina
kunzwa mibvunzo yavo here.
Chambwe akaona kuti akaramba
anyerere aizonyanya kugumbura ishe
ndokubva akosora zvenhando
ndokutanga kutaura. "Pakanganisika
Mhukahuru ndiregerereiwo kutadza
ndekwedu vanhu. Ndine hurombo
changamire kukudzai kuti makarera
imbwa nemukaka nhasi yazokurumai.
Taronda matsimba evakomana ava
ndokunovabatira vari kurwizi Kweto
uko. Tichisvika ikoko tatanga
kutambirwa nezvitunha zvevarindiri
vaBudzi teverere ndokuona
vakomana ava vakabatirana
mwanakomana wenyu vachitogura
musoro kunge huku. Tichiri
mukushamisika kudaro vabva vatora
mutumbi wake ndokukanda mudziva,
chiriporipotyo wabvutidzanwa
nemakarwe ndokuparara. Ivo vasati
vambofunga zvekutiza panzvimbo iyi
tavasvikira ndokubaya baya
nemapfumo tikavakandawo mudziva
zvavaita Budzi ndokudyiwawo
takatarisa. Ndine urombo ishe
nekuparadzwa kwaitwa nevanji
wenyu," anopedzisa mashoko ake
Chambwe ave kutohwihwidza
kuchema. Achiruka nhema dzake
muchinda uyu aitova nechokwadi
chekuti vakomana ava vaparadzwa
vose, naizvozvo hakunazve aizodura
chokwadi chezvainge zvaitika kurwizi.
Panhema dzose idzi haana kufungira
kuti aizovhara sei kana obvunzwa
nezvevamwe vake vaakange abuda
navo. Ivowo mambo panguva iyi
hazvina kumbovapinda mupfungwa
vakange votochema mwanakomana
wavo.
Ishe vakarwadzikana zvikuru
kurasikirwa nejaya ravo rimwechete
iro ravaitarisira kuzosiya pachigaro.
Vakaita bundu guru kwazvo pamoyo
zvekusvika pakutadza kusimudza
shaya kuti vataure. Murume mukuru
akaerera ziya uku miromo ichibvunda
nehasha. Rume guru rakagwadama
pasi ndokutanga kuungudza
kuchema zvakanzwisa urombo chero
naani zvake. "Babawee Nzou kubva
mandicheka nerakagomara kudai
matsamweiko. Ko wangu mungava
ndewei ungabva wada kuripwa
noupenyu hwejeche ramakandipa zai
regondo." Vakazhamba ishe
vachizvikanda pasi vakagwadama
kunge mbudzi kudaro. Mhere
yamambo iyi yakasvika munzeve
dzehosi yavo iyo yainge igere
muberevere remba. VaMaidei
vakakwakuka pavainge vagere
ndokumhanyira kudare kunonzwa
chakange chasakisa murume wavo
abongomore sepwere kudaro. Kubva
paumhandara hwavo havana kubvira
vakaona misodzi yaMabharivari,
zvino musi uyu zvakange zvauya
nepamwe. VaMaidei vakasvikopinda
mudare vasina kana kudavidza
ndokunoti tumbi pakati pedare.
Makange musina chakanaka mudare
umu varume vose vaivemo
kwaingova kupfikura kuchema kwega
kwega. Zvakatora nguva huru
vaMaidei vasati vaziva kuti kwakange
kwaitikei nokuti wekubvunza chaiye
vakamushaya. Vakamboramba vakati
tumbi kumira vakangoudyura meso
kunge chigwaya chiri pachiredzo.
Vakazoti pava paya vanhu shungu
dzaserera ndokuudza VaMaidei
chimiro chaivepo, chembere ikati
yaikwetsura mhere. Nenguva isipi
padare pakange pazara vanhu vainge
vavhundutswa nemhere iyi. Vanhu
vakava nekusuwa kukuru nechiitiko
chakadai ichi chainge chavawira
panguva isakafanira. Nguva
yakazosvika ruzhinji iyi vakawana
VaMaidei vakangoti rabada
vasingambopfakanyiki. Chakava
chipatapata vanhu kumhanya
nezvirongo zvemvura kunodira
vahosi vashe avo vainge
vatounganirwa nemadzimai echikuru.
Vakatozopatika mushure
mechinguva ndokubatiranwa
voendeswa kumisasa yavo.
Vakatozorara vakachengetedzwa
nemamwe madzimai kuitira kuti
vasaita zvisakarurama nokuti kazhinji
panguva yakadai iyi munhu pfungwa
hadzinyatsokakati zvakanaka. Musi
uyu mambo havana kudzikotsira
vakaedzerwa vakavhura ziso rainge
rakatsvuka kunge marasha emoto.
Pfungwa dzakange dzichidyana
kufunganya kuti chokwadi kurera
mwana kusvika ave pazera rekuva
murume obva abvutwa nerufu.
Vakanzwa kuvenga pamwe
nekutsoropodza varindiri vavo vainge
vasina kuita basa nomazvo kurega
Budzi achipoya. Mangwanani aitevera
vakatuma Chambwe kuti anouya
nevarindi vainge vaiswa muzariro kuti
vagoripa mhosva yavakange
vaparamura iyi. Nenguva isipi varume
vaya vakauiwa navo pamberi pashe
vakasungwa maoko nemakumbo.
Mambo Mabharivari vachingoona
varume ava vakabva vatowedzera
hasha pamwe nekuungudza
kuchema. Vanhu vasati
vambofungira zvaida kutora nzvimbo
apa ishe vakabva vangononga gano
ravo ndokupaza misoro yevarume
ava chiripopotyo. Vanhu vakazosara
vobata kumeso nekutya ropa
changamire vave kutotema
wekupedzisira. "Vana venyoka, dai
musirimi makavata muri pabasa
Budzi angadai asina kusvika
pakutorwa nerufu kuna Kweto uko."
Vakasara vokwamatata zvavo ishe
asi wekutaurira pakange pasisina,
varume vese ava vari vanomwe
vakange vatova kunyikadzimu.
Chambwe akarairwa kuti anorasira
mitumbi yevanhu ava kure kure
nemisha yevanhu kuti vagodyiwa
nezvikara zvesango. Hazvina kutora
nguva zhinji mamwe mauto amambo
akange atova munzira kunoita basa
ravakange vatumwa iri.
Vakatozodzoka kumuzinda zuva
rogara miti ndokuwana pamuzinda
paine runyararo rwaitovhundutsa
kana nhunzi chaiyo. Pakubuda
kwakaita Chambwe achinorasa
zvitunha zvevarindiri izvi, mambo
vakasara ndokutuma munhu
kudumba raChitupe vachida
kubvunzira kuti voita zvipi maringe
nemwanakomana wavo ainge
apararira mumvura. Chitupe
semunhu akange achiri kufadzwa
nemombe dzaakange apiwa nashe
haana kuparadza nguva paakanzwa
kuti aidanwa ikoko. Akangosimuka
nemakona ake ndokudungamidzana
nenhume yamambo vonanga
kumuzinda. Akasvikowaridza
matehwe ake semazuva ose
ndokugara apfunya chibondokoto
otanga kukandidza hakata dzake.
Akatora kahari kaduku-duku munhava
yake kaiva nemvura chena yaisvika
nemuchiuno mako. Akatanga kutaura
nemutauro waisanzwisisika
achiuchira pamwe nekukanda
twumakwati mukahari muya.
Panguva yaakada kuti anotarisa
muhari muya akakatyamara kuona
Nhekairo muhari muya. Asati
anzwisisa chirevo chazvo
chiriporipotyo pakauya chamupupuri
chisina kuonekwa kwachakabva nako.
Vanhu vachakashamisika kudaro
vakaona Chitupe achiti pasi negotsi
dhi-i ndiye pfau pfau tasa ndokuoma
akadaro. Varume vose vaiva mudare
umu vakati dzvamu ndivo chitsoka
ndibatsire vachitiza. Vashoma vavo
ndivo vakazonomira vave
chinhambwe asi vamwe vakaenda
zvachose havana kudzoka.

CHITSAUKO 24
Vedu mambo Mabharivari
vakakundikana kana kusimudza
gumbo, vakangoramba vakati kanha
vagere pachigaro chavo. Vakange
votobvunda serutsanga ruri mumvura
vachipererwa nezano rekuita.
Vakazoti pava paya ndokubatanidza
pfungwa pamwechete ndokuzvipa
ushingi. Vakasimuka zvinyoronyoro
ndokunotarisa Chitupe ndokuona
chatova chando. Ishe
vakangodzungudza musoro vachibva
vamuvhara meso ayo ainge
akatuzurwa sembudzi yadzipwa.
Mupfungwa dzavo vakatanga
kurangarira mashoko ababa vavo
musi wavazodanwa kunyikadzimu.
_"Mwanangu kana wazogara
pachigaro changu ichi ndinoda kuti
ugotungamidza runyararo mberi.
Usadeura ropa revasina mhaka kana
kufarira kutambura kwevamwe vanhu.
Unofanira kudanana nemimwe
mizinda yose yakatikomberedza kuti
ugova neutongi hwakajeka
hunofadza madzibaba edu
akatitangira."_ Aya ndiwo mashoko
ababa vaMabharivari aiita kuita
maungira munzeve dzake. Vakatadza
kuzvibata ishe ndokukaruka misodzi
yomokoteka nematama.
Zvakange zvoremera kumusoro
setsvimbo yahombarume apotsa
tsenzi. Changamire vakatadza kuziva
kuti voita sei nechitunha chaChitupe
icho chainge chakangoti rapata
mudare mavo. Vakambofunga kuda
kutuma nhume kunodana Nhekairo
kuti agouya kuzovabatsira asi
zvakashaya basa nokuti hapana kana
ani zvake aiziva paigara n'anga iyi.
Nhekairo aiva nhume yevadzimu
chaiyo kwete yekunyepera iya.
Aisvika chete kumuzinda kana pane
zvaanenge atumwa kuzozivisa
mambo. Mambo vakafunga
zvekuenda kudziva rainzi rakakandwa
mwana wavo pamwechete
nekunobvunzira kuna Nhekairo.
Zvese izvi zvakange zvichibvira
pakusaziva kuti Chitupe vaizomuviga
nenzira ipi chaiyo. Vanhu ava
vezvemidzimu vaisangovigwa njee
kwete, vaitova nenzira yavo
yavairadzikwa nayo.
Kubva musi wasvika shoko rerufu
rwaBudzi, VaMaidei havana kuwana
zororo mupfungwa dzavo. Nguva
zhinji vaigara misodzi iri pamatama
kutambudzikira jaya ravo. Izvi
zvakange zvowedzerwa
nevakadzinyina vavo vaive vovaseka
vachiti vainge vafanana vose kushaya
mwanakomana. Ruramai
akarwadzikana zvikuru nechiitiko
chakadai ichi pamusha pevabereki
vake. Mwanasikana ainge aita
mufakose, kuita nhamo yechigusvani
kuti uku chakarumwa nerimwe divi
chichitsva. Kushaikirwa nehanzvadzi
yake kwakamusiya ane ronda guru
kwazvo risina aigona kurapa.
Pamusoro pazvo oti kurasikirwa
nemukomana uyo waakange ave
pedyo kutobvuma kuti vagotanga
hupenyu hutsva vari vose. Rufu
rwaMugadzaneuta rwakava
zimunzwa pamoyo pake risina ani
zvake aikwanisa kutumbura.
Akashungurudzika kuti sei vadzimu
vainge vamupa ronda risingapore.
Kuna VaMusekiwa naVaMarwei
zvaingovewo zvimwechete chembere
dzakange dzisisina zororo. Vazukuru
vavo ndivo vakange vatova
musimboti wehupenyu hwavo
kusimudzira misha miviri iyi.
VaMarwei vakatanga vaine tarisiro
yekuti zvimwe vazukuru vaizodzoka
asi zvakashaya basa nekuwanda
kwemazuva. Mazuva aya yakange
yangova nyaya yekurotwa
kwevakomana vaviri ava
nemadzimbuya avo. Chembere idzi
dzakazosvika pakuonesana kuti
vasunge twumikwende twevazukuru
voturika mumatenga vosunga mikova
yemagota acho. Uku kwakange
kwatova kutambirana nerekuti
Mugadzaneuta naDzivo
havachadzokizve munyika yevapenyu.
Kubva zvachemwa Budzi kumuzinda
mambo vakasanduka ndokuva
chikara chaicho. Hutongi hwavo
hwakange hwave hweutsinye vave
kutonga nebakatwa muruoko. Ishe
vakange vave kungodeura ropa misi
nenguva kutsiva rufu rwemwana
wavo. Hakuna akange achagona
kuvadzora ishe vanhu vachitya
kungonyikwa banga ukafira mafufu
segonzo. Mabharivari akange ongoti
munhu akashama muromo kuda
kumutsiura ipapo aibva agadza
pfumo kana banga. VaChitsama
sachipangamazano washe mumwe
musi vakatsiura ishe kuti vakange
vave kutsaudzira pautongi hwavo
zvinova zvaipesana nevenyikadzimu.
Havana kuzombopedza
kurondedzera pfungwa yavo vainge
vagarwa nayo tsvimbo. Dai kusiri kuti
vakachimbidza kuzviona
ndokunzvenga tsvimbo iya
ichisvikopaza bendekete, vangadai
vakafira panzvimbo dai yakanobata
musoro. Harahwa iyi yakaumburukira
pasi ndokugwesha ichibuda mudare
yotya kupedziswa. Murume mukuru
akasvimha misodzi yekurwadziwa
nekurohwa kwaakange aitwa. Havana
kuzombomirapo padare VaChitsama
vakabva ananga kumisasa yavo
vakarembedza bendekete uku
vofamba nedivi segakanje. Kubva
musi uyu VaChitsama havana kubvira
vatsika padare nyangwe vakadanwa
vaisasvikako kudare. Maroverwo
avakaitwa akavasiya nebundu guru
pamoyo, zvotiwo bendekete racho
rainge ratoremara roramba kudzoka
panzvimbo zvachose. Matongero
akange oitwa namambo aya
akatanga kusafadza Chambwe
naZengu. Varume vaviri ava
vakatanga kuita zino irema asi kutsi
kwemoyo vaine zvikukutu
zvavairongera mambo.
"Hatingararame senhapwa
mumuzinda wedu kugara takabatira
ura mumaoko nekuda kwemunhu
mumwechete. Ndiani anoziva kuti
zvinosvikepi izvozvi zvave kuitwa
naishe,mhedzisiro tinopera tose
kupondwa rumwe rumwe zuva
nezuva. Ndivo vatanga kufirwa here
munyika medu muno zvovobva
vamuka chibhebhenenga kuparadza
nevasina mhaka kudai." Anodaro
Chambwe akafinyamisa chiso seari
kuona zvinosemesa. "Uyu murume
waodza mwoyo yevanhu vose
munyika muno dai zvaibvira atorwa
nenguva hake tasara tichiona
zvatingaite nechigaro."
Anodavidzawo mumwe wake Zengu
achitoratidza kushushikana zvikuru
nemaitiro amambo. Iri nyaya
yechigaro iyi yakafadza Chambwe
zvikuru zvekuti iye pachake ainge
atoona akafanira chigaro ichi. Haana
kuda kuvanzira mumwe wake
akatobuda pachena maringe
nezvaaifunga. Akati iye aingotyira kuti
mamwe mauto aizomutsigira here
kuti atsive Mabharivari kana vachinge
vamupfuudza. Zengu akatodavirira
pamusoro achiti iye Chambwe
asambotya kana ani zvake nokuti
vanhu vaitozomutsigira zvichibvira
nekurwadziswa kwavainge vachiita
namambo. Rume rakanyemwerera
rotonzwa manyawi seraiva
ratogadzwa paushe. Zengu
akavimbiswa kuti kana vachinge
vangokunda chete ndiye aizova
murume wekurudyi rwaChambwe ave
mambo. Vaviri ava vakaronga
zvizhinji kwazvo maringe
nekufambisa kwavaizoda kuita tsoro
dzavo kusvika kumagumo.
Vakatozoparadzana havo nguva
dzadyana kwazvo vose hapana kana
mumwe wavo akambofunga
zvekuenda kudare.
Nerimwe ramazuva Ruramai
akafuma achiti ainge arota hanzvadzi
yake. Akamurota agere
naMugadzaneuta pamberi pavo paine
mbenga youchi vachidya havo
vachifara. Iye akatanga kufamba
achienda kwavari asi akatadza
kusvika nekuda kwerwizi rwaive
pakati pavo. Aivaona ari chinhambwe
vachiratidza kufara zvikuru vachiseka
asi ivo vaisamuona. Akapatika
kuhope achiri mukudzengerera
achitadza kuziva kuti osvika sei paiva
nevakomana ava. VaMaidei vakaona
hope idzi dzisina kana nedudziro
imwechete zvayo. Vakangotaurira
mwanasikana wavo kuti
dzaingovawo hope njee dzisina
zvadzinoreva. Izvi zvinodaro kazhinji
munhu ukarara uchifunga munhu
zvakanyanya anogona kuuya kuhope.
Musi wehondo yanaChambwe
padziva guru remuna kweto pakaitika
chisionekwi humhandara hwamai.
Panguva yese yakasvikirwa vana
Mugadzaneuta vachizorwisana
nechikwata ichi, sekuru Nhekairo
vainge vagere pabwe pamukova
webako ravo. N'anga iyi yainge igere
yakabata rushaya ichisiririswa
nehuyanga hwaMabharivari
hwekutadza kutonga. Vachiri
vakagara pamukova paya vakanzwa
mhere yemunhu airatidza kuti
ambunyikidzwa. VaNhekairo
vakasvetukira mubako ndokunowira
pamatehwe avo achitsveta meso avo
muhari huru yaiva mberi kwavo.
Chiriporipotyo vakabva vaumburuka
pasi akabata munwe weshumba
mubako ndokutogoka huruva. Iyi
ndiyo nguva yakange yasvikirwa vana
Mugadzauta vari padziva voda
kutopedziswa nanaChambwe.
Huruva yakasimuka mubako umu
ndiyo yakasvika iri chamupupuri
padziva ndokutokwidibira vana Zengu
meso votadza kuona zvakanaka.
Zvese zvekuzowira kwana
Mugadzaneuta mudziva
vachizodyiwa nemakarwe
zvakangoitika mumeso evaviri ava
chete asi handizvo zvakaitika.
Pakasimuka huruva iyi
Mugadzaneuta, Dzivo naBudzi
vakabva vatorwa nasekuru Nhekairo
voendwa navo. Vakasvika pavakaona
ibwe guru richitsemuka nepakati
vachibva vamedzwa naro vose vari
vana kudaro. Chakashamisa majaya
aya ndechekuti mubwe ravakange
vapinda maitova nenzira huru yainge
yakanakisa chose. Vakafamba
kwechinhambwe vanyerere dzamara
vasvika pane chimwe chigaro chaive
chakagara imwe harahwa
yakatsikitsira pasi. Zvigaro zvose
zvaiva mukati umu zvaive
zvakagadzirwa nendarama
zvichivaima zvikuru. Majaya aya
akavhunduka zvikuru, vainge votadza
kunzwisisa kuti chii chainge
chichitora nzvimbo. Vakomana ava
vakatsanangurirwa kuti iyi ndiyo yaiva
ninga huru yomuzinda wavo isina ani
zvake aiziva mukova wayo. Harahwa
yainge igere pachigaro iyi yakanzi
ndiyo yaiva zitateguru redzinza ravo.
Kutsikitsira pasi uku kwaive
kutsamwa nemabatirwo ainge
achiitwa chigaro nemuzukuru wavo
Mabharivari. Mashoko aya
akangopinda munzeve dzaBudzi oga
vamwe vese hapana chavakanzwa.
Vakazosuduruka paharahwa iyi
ndokutora rimwe gwara rainanga
kuruboshwe ndokuerekana
vabudikira pamusoro pegomo raigara
I sekuru Nhekairo. Vakomana vatatu
ava vainge vakangoti kanha nazvo
zvekusara vasina kana neremuromo.
Vakomana ava vakapindwa navo
mubako rasekuru Nhekairo kanova
kekutanga munhoroondo youpenyu
kupinda vanhu mubako iri. Vachiita
izvi sekuru Nhekairo vaiziva havo kuti
kana vatatu ava vakazodzokera
kumuzinda hapana kana mumwe
wavo aigona kuzorangarira gwara
rekupinda naro mubako umu.
Rakafambiswa basa rekurapwa
kwaBudzi zvekuti mushure
memazuva mashoma ainge anaya
Dzivo aipota achipiwawo mukana
wekushandisa makwenzi aaiziva
pano nepapo kubatsiridza
pamarwadzo.
Vakazoti zvino Budzi anyatsogwinya,
vakomana ava vakange vave
kunakidzwa neupenyu hwemubako
uhwu. Hapana akange achafunga
nezvekumuzinda kana nepaduku
pose. Masikati erimwe zuva sekuru
Nhekairo vakadanira vakomana ava
panzvimbo yavo yavaiitira basa ravo.
Vakasvika ndokumbogara vanyerere
sekuru Nhekairo vachingosvuta bute
ravo rimwe vachirurudzira pasi.
Vakazotanga kuhotsira kasingapere
pedzesere votanga kuimba rwiyo
rwakatadza majaya aya kana kudaira.
Mushure mezvi sekuru vakatanga
kutaura vakatarisana nevakomana
ava. "Muzukuru uchabatsira vanhu
vazhinji kwazvo munyika ino
nedzakatikomberedza. Pauri apa uri
murapi mukuru kwazvo achaita
mukurumbira kupinda ani zvake
munyika yedu muno. Zvako izvi
hazvisi zvekubatira padenga sedengu
asi ndezvekutozvarwa nazvo."
Vanodaro sekuru Nhekairo
vakatendekera tsvimbo yavo kuna
Dzivo uyo ainge akangoshama
senyana reshiri. Dzivo
achakashamisika kudaro sekuru
Nhekairo vanobva atendeukira kuna
Budzi ndokumutarisa neziso raitaura
zvizhinji. Haana mashoko mazhinji
aakaudzwa akangonzi aifanira
kutsunga nokuti basa raiva mberi
kwake airiziva. "Mugadzaneuta ndine
rwendo rwandinoda kufamba newe
iye nhasi chaiye. Tinofanirwa
kuvirirwa nezuva tadzoka pano nokuti
tikasadaro tingatangirwa nemuvengi."
Vakadaro sekuru Nhekairo
vachitosimuka pavainge vagere
ndokutorana naMugadzaneuta
vodzira zasi kwegomo vakadziva
kuchamhembe. Mugadzaneuta
aingotevera ari shure achishushikana
kuti ndekupi kwaakange
achiendeswa neharahwa iyi.
Vakasvika pane mumwe Muchechete
wainge wakakura zvikuru uine
mapazi ainge akatangira
kumusorosoro. "Muzukuru pane basa
guru pano ndinoda kuti ukwire
mumuti uyu unotanha gomarara riri
nechekumusoro uko. Tariro yangu
ndaisa pauri nokuti gomarara irori
rakakosha zvikuru riri kudiwa nevari
kumhepo kuti rigoshanda basa
kudzikinura nyika ino." Vanodaro
sekuru Nhekairo vachimutendekera
gomarara rainge richionekera
nechekure kwazvo. Iwe ndiwe
uchatungamira pakudzikunira
muzinda uno. Mukomana uyu
akambotura mafemo achitarisa kuti
zvaiva nyore here zvakange
zvichitaurwa nen'anga iyi. Akaita
nguva achipota nemuti achishaya
pokutangira ndokutozovhundutswa
nasekuru vachimuti vaifanirwa
kunorara kubako nokuti kunze uku
kwaiva kuzere zvikara. Gomana
rakasunungura nduni yaro muchiuno
ndokuzendamisa nemuti nekuti
yaimuremera akatadza kukwira
mumuti umu zvakanaka. Pfumo rake
nemiseve akatsveta pasi zvekare
ndokusara aine gano nebakatwa
chete. Mugadzaneuta akatema
twumakomba twutatu pahunde
yemuti uyu twainge
twakadungamidzana twuchikwira
nemuti. Twumakomba utwu nditwo
twaakaita manera okwira mumuti
umu. Aiti akasvika pane kakomba
kekupedzisira aibva atema twumwe
zvekare achikwira dzamara anosvika
paitangira mapazi. Akambogara
padavi remuti achitura mafemo apo
twugunwe twemumaoko
nekumakumbo twainge twatsvuka
neropa. Akacheukira pasi achida
kuona kana sekuru Nhekairo vainge
vakamutarisa ndokuwana ichingova
nzvimbo pasina munhu. Ipapo
mashoko ekuti vaifanira kunovata
vave kubako akabva aita maungira
munzeve dzake. Akasimudzira kubva
padavi riya ave kunyatsoona
gomarara raaida zvakanaka. Akati
ave pedyo negomarara riya
ndokusimudza musoro achitarisa kuti
otanga kutema nepapi.
Achangosimudza musoro akaita
mahwekwe nerovambira yainge
yakamonera pagomarara riya.
Rovambira iyi
payakangosanganidzana meso
naMugadzaneuta yakabva
yatomuvinga chiriporipotyo yoda
kumukobora. Mugadzaneuta
akadududza achidzika zasi nyoka iya
ichitevera kunotema paakange amire.
Nehasha dzekuroveswa muti chikara
chakavira neshungu ndokuvinga
Mugadzaneuta ichida kunokobora
panhova chaipo. Mugadzaneuta
zvaakasvika painga pachiperera
mapazi emuti akabva anotevedza
rimwe rainge rakakora kwazvo.
Akadududza zvishoma ndokumira
akatarisa rovambira iya ichiuya
nehasha. Payakasimudza musoro
yoda kurova zvekare inobva
yasanganidzana nebakatwa
nechemuhuro mayo umu musoro
uchinowira kwawo.
Yakazvonyongoka nyoka ichiwira
pasi ndiye forototo iri murukato.
Mugadzaneuta akaerera ziya
ndokumbogara padavi riya achitura
befu. Akavhundutswa nekuombera
kwasekuru Nhekairo vachimupa
manyawi kuti aive murume chaiye
aikodzera kutungamira hondo.
Nenguva isipi akasimuka paainge
agere ndokunotema gomarara riya
odzira naro pasi. Mugadzaneuta
akashamiswa kuwana sekuru
Nhekairo vachigura muswe wenyoka
iyi ndokutora musoro wayo zvekare
ndokuisa munhava. Havana
kuzoparadza nguva vari panzvimbo
iyi vakabva varurama kubako
rasekuru zuva risati ravira. "Muzukuru
iwe wakasarudzwa nevari nyikadzimu
kuti uzotungamira rudzikinuro
rwevanhu venyika ino. Pane
zvisakarurama zviri kurongwa
kumuzinda uko iwe ndiwe uchafanira
kuparadza chose chakaipa kuti nyika
yedu idzokere pamazuva ayo
erunyararo nerugare." Vanodaro
sekuru Nhekaira vachitaura
naMugadzaneuta apo vaikanda
nhano kudzokera kubako.
Mugadzaneuta akavimbiswa kuti ane
zvaaizoitirwa nen'anga iyi kuti basa iri
risabva ranyanya kumuremera. Pose
paitaurwa apa aingogutsura musoro
asi pfungwa dzake dzaingova
kurovambira yaakange aparadza.
Zuva rakazosara ropinda muna mai
varo varume vaviri ava vatova kubako.

CHITSAUKO 25
Sekuru Nhekairo naMugadzaneuta
vachipinda mubako vakasvikowana
vana Dzivo vakangoti undundu
senhiyo dzapotswa nerukodzi.
Vakomana ava vakange vave kutya
kuti zvimwe vamwe vavo
havaizokunda kudzoka zvichibvira
nekunonoka kwavainge vaita. Majaya
maviri aya akavhunduka kuona
Mugadzaneuta achipinda mubako
muviri wose uchisinina ropa.
Kudzimura mibvunzo mizhinji
Mugadzaneuta akangotaurira vamwe
vake kuti ainge awira murukato
achidzinganisana nemhembwe
ndokukuvara kwaainge aita. Vamwe
vake nokumuziva kuti dzekuvhima
idzi ndidzo dzaiva dzake havana
kuzoda kuramba vachibvunzisisa.
Zuva raitevera racho sekuru Nhekairo
vakafuma ndokuvesa moto
vachiimba nziyo dzavo dzepasi
vachizvidairira vega. Vakatora
musoro nemuswe werovambira
zvavakange vatora naMugadzaneuta.
Vakazvikanda muhari pamwechete
netwumadavi twegomarara
twushomanana ndokugadza pamoto.
Nenguva isipi mubako makatanga
kuzara chiutsi zvekuti vakomana
vakatadza kugaramo ndokubuda asi
Mugadzaneuta akanzi asabuda. Jaya
rakasara richikosora nekukachidzwa
neutsi zvikati hwaiburitsa hwema
husina kunaka. Akatombonzwa moyo
kuenda mudenga kuita musiya
paduku arutsa. "Izvi zvandagadzira
ndezvako iwe wega muzukuru,
ndafarira kuratidza urume kwako
ukarega kurutsa. Iye zvino
ndochikugadzirira zvakafanirana
newe nebasa rakakumirira mberi
uko." Vakadaro sekuru Nhekairo
vachibura hari yaiva pamoto
ndokudanira Mugadzaneuta pedyo
navo. Jaya rakatemwa nyora pahuma,
muhapwa, magokora, pamusana,
mabvi nezvitsitsinho ndokuzorwa
zvakange zvapiswa muhari zviya.
Zvainge zvasara zvacho zvakaiswa
mumvura ndokudzi ageze kumeso
kwemazuva matatu panguva
dzekurara nemangwanani asati
amboisa chinhu mumuromo.
Mushure mezvose izvi Budzi
akatorwa ndokuendwa naye muninga
yemadzitateguru ake.
Vakasvikotambirwa negusvu pamwe
nemhururu zvainge
zvakanyatsogadzikana zvisina ruzha.
Nyangwe hake Budzi ainge
ambopindwa naye muninga umu
zuva rekutanga, nzvimbo yacho haina
kumurerukira yaitoita kunge itsva.
Akanzwa bvudzi kuti nyau nyau hana
yorovera kunze kwechipfuva.
Akamboda kubvunza kuti chii
chakange chave kutora nzvimbo asi
zvakarambira parurimi. Vakafamba
ndokusvika pachigaro chaive chigere
harahwa yavakaona zuva ravatanga
kupindamo. Budzi akabatiswa
nhekwe yefodya ndokungotariswa
neziso raireva makukutu. Mukomana
akagwadama pasi ndokutyora uso
hwake nokutanga kuuchira.

"Nzou Samanyanga,
Vari Mapanda,
Bondorouswa,
Hekani Matyoramiti,
Vane nzeve dzinenge mahapa.
Ndauyawo ini chizukuru chenyu jeche
raMabharivari,_ _Ndiratidzeiwo gwara
rakajeka rokufamba naro.
Ndinoda ndirege kupesana
nematongero amunoda imi.
Zarurirai njere nezivo pakuyananisa
vamwe.
Mundiringire pandinotsika
nezvandichabata nezvanza zvangu.
Musandirega ndichitsaudzira gwara
ramakafamba naro imi tateguru.
Mugoputa bute randarurudzira pasi
iro.
Ndasiya rutendo kwamuri ndimi
munoona zvatisingaoni."
Budzi anopendera munyengetero
wake nekuuchira zvekare
ndokururudzira bute pasi.
Ninga yose yakaita maungira
emhururu negusvi chiriporipotyo
anobva asimuka achinyemwerera.
Izvi zvairatidza kuti venyikadzimu
vainge vakateya nzeve
kumunyengetero wake. Sekuru
Nhekairo vakagutsura musoro
ndokurumbidza Budzi vachiti akange
ave murume ane zano kuziva
zvekukumbira mberi
kwemadzitateguru ake. Vaviri ava
vakabuda muninga ndokudzokera
kubako pasina akange achitaura
nemumwe. Zuva richinogara
nhongonya vaviri ava vakabva
vasvika kubako uko sekuru Nhekairo
vakadanira Dzivo mubako. Dzivo
akapinda aine kakutya maari
semunhu akange asiri kuziva
zvaakadanirwa. Akapinda
ndokusvikogara pasi akapeta
makumbo meso ake ari pahuma
yasekuru Nhekairo. Hapana
kuparadzwa nguva Dzivo akabva
agashidzwa mbiya yaiva nemvura
yainge yakati mbembe kuchena.
Akarairwa kuti anwe mvura iyi yose
kamwechete asina kufema kana
kuzorora. Jaya rakagadza mbiya iya
pamuromo ndokumedza huro
yokutanga teverere ofinyamisa chiso.
Mvura iyi yakange ichivava
zvisingabviri uye zvisakafanira ruvara
rwayo. Semunhu ainge aine kutya
maari akashinga ndokukutura yose
ndokugadza mbiya iya pasi muviri
wozuzuma. Asati atombotura befu
akatanga kuona rima zvishoma
nezvishoma dzamara ramukwidira
rose ndiye umburu pasi ndokudzima
akadaro. Akamwizwa mvura
dzakasiyana siyana pamwe
nekuzorwa mafuta emhando zhinji.
Zvakatora mazuva maviri Dzivo
akangorara semunhu akafa sekuru
vachingoita zvakasiyana siyana paari.
Akazopatika muzuva rechitatu
mangwanani ndokubva akurungirwa
usvusvu hwakaiswa mimwe
mishonga ndokuzotanga kurangarira
zvizhinji. Paakaita mazuva ari
muchadzimira kudaro, munyika
yomweya akange achiita seairota
makwenzi emhando dzose ekurapa
nezvimwewo. Muchidimbu jaya iri
rakange ratova godobori wemandiriri
asina hosha yaaiti ndakundikana.
Sekuru Nhekairo zvavakaona kuti
basa ravainge varongerwa
nevenyikadzimu vainge vapedza,
vakadana vakomana ava ndokugara
navo pasi. Vakava rondedzera
mafambisiro avaifanira kuita basa
rekudzikinura nyika yavo iyi.
Vakomana ava vakavhunduka pamwe
nekushamisika kuti basa ravainge
vapiwa iri rainotangira kumuzinda
washe Tsindikwa. Pakati pavo
hapana kana mumwechete akange
akambopinda munyika iyi kubva
chizvarirwo. Vakabvunzisisa zvavaida
kunzwisisa pamusoro pemuzinda uyu
ndokutsanangurirwa zvose.
Vakakurudzirwa kuti vabatane
pazvose zvavachaita sezvo rume
rimwe ragara risingakombi churu.
Vakazorora mazuva maviri kubva
musi uyu ndokuzosimuka vakananga
kwaTsindikwa. Nyangwe zvavo
vakamborwadzikana kuparadzana
nasekuru semunhu wavakange
vajairana naye kwemazuva,
vakomana ava vakasara vasina
sarudzo ndokuyenekana neharahwa
iyi.
Mumuzinda washe Tsindikwa kubva
zvainge zvaradzikwa nevanji wavo
vaingozvidya mumoyo misi nenguva.
Muvengi ainge avabaya panyama
nhete chaipo, kuvacheka
nerakagomara. Changamire
vakamboshora vadzimu kuti sei
vaizorega nevanji wenyika yavo
achiwira papfumo remuvengi.
Makurukota avo aigara misi nenguva
vachinyaradzana pamwe
nekusimbisana naishe wavo vachiti
uku kwaisava kuguma kweupenyu
kana kuparadzwa kwenyika yavo.
Dzvaitsvai akasiya avimbisawo ishe
kuti vasazvidya moyo vematenga
vaiva nezano nechiitiko ichi. Akaudza
mambo zvekare kuti aizodzoka
mushure memazuva mashoma
ovazivisa hurongwa hwevadzimu
venyika yavo. Mazuva akapindana
changamire nemakurukota avo
vakaringa nzira asi Dzvaitsvai haana
kuuya. Mambo Tsindikwa
vakamboda kutuma nhume
kunodana n'anga iyi vanzwe kuti
chikonzero nei yakange ichitora
mazuva mazhinji kudzoka.
Vakazodzoreredzwa nerimwe
gurukota ravo richivati
mandikurumidzire anozvara
mandinonokera. Semunhu ainge
asina humbimbindoga mambo
vakanzwisisa mashoko ejinda ravo iri
ndokumirira paizokwana nguva
yevadzimu.
Rimwe remazuva ishe vakange
vagere nevanakomana vavo vatatu
vari kumisasa yavo. Varume ava
vaikurukura nyaya dzakateramira
muzinda wavo nebudiriro yawo.
Vengai mutevedzani waTigere
akakaruka akapinza nyaya
yekupondwa kwemukoma wake
zvinova zvakambobata vamwe vose
zvakanyanya. "Ava vanhu
vekumadokero hamuoni here kuti
vakazonyanya kuti dheerera. Dai kuri
kupamba hupfumi hwedu kwega taiti
hazvina mhaka tinoshava zvimwe ivo
dzokono vobvuta mukoma wedu.
Tigere akange asiri mwanakomana
wamambo nje-e asi kutoti ndiye
aisara nechigaro kana baba vachinge
vadanwa nemadzitateguru edu.
Handingambovi nezororo muhupenyu
hwangu kana ndisina kutsiva rufu
rwemukoma wangu." Anopedzisa
kutaura Vengai ave kuyerera misodzi
pamatama. Mumba makaita
mahon'era vakomana
vachibvumirana nedama rekutsviva
mukoma wavo. Changamire
vachinzwa vana vavo vachisimbisana
kutsiva rufu rwemukoma wavo
vakambonyemwerera kuziva kuti
vana vavo vainge vakabatana.
"Pfungwa dzenyu dzakanakisa
vanangu zvinoratidza kuti kana
ndikazotorwa nenguva munosara
makabatana. Chinhu chikuru
chandinoda muzive mukurarama
ndechekuti musafarira kutsiva
chakaipa nechakaipa. Rufu
rwaTigere rwakasiya ronda
risingapore mumoyo mangu asi
hatingatsive ropa neropa." Vanodaro
changamire Tsindikwa vave
kutofemera pamusoro neshungu.
Vakomana vakapokana nepfungwa
yababa vavo vachiti vaisada
kuonekwa sevanhukadzi munyika
mavo vachipindirwa nemhandu
nguva dzose. Pakaita makakatanwa
nguva huru mambo vachitadza
kunzwana nevanakomana vavo.
Vakomana ava vakazogadzwa muvhu
pavaka yeuchidzwa kuti vangada
havo kurwa asi nyika yavo yakange
ine vangani vakamborwa hondo. Iyi
nyaya yakavapedza simba voona kuti
vainge voda kuita chinya chegurwe.
Digwei ndiye akatanga kunzwisisa
zvaitsanangurwa nababa vake
ndokutsigirana navo achiti vasiire
vadzimu vaite kuda kwavo.
Mambo vakazobva kumisasa yavo
zuva rogara miti voenda kudare
kwaiva nevamwe varume.
Vakasvikirana naVaRuzivo
naGandiwa vainge vauyawo
kuzotandara padare. Musi uyu
kwakakurukurwa dzakasiyana-siyana
makurukota achionesana nzira
kwadzo dzebudiriro munyika. Mambo
vakazopinzawo nyaya yekuti vatore
zvimwe zvezvifuyo zvavo vodzosera
vose vakange vabvutirwa nemuvengi.
Nyaya yakadzeewa mudare varume
vachipokana nepfungwa yamambo iyi.
Machinda akarambisisa nyaya iyi
vachiti nyatwa yakavawira iyi yaisava
yamambo voga asi kuti yaiva yenyika
yese. Hurukuro iyi yakatora nguva
huru kwazvo vanhu vachipa miono
yavo yakasiyana-siyana. Vakazobuda
nepfungwa yekuti vose vainge
vatsvairirwa matanga zvekusara
ndove chete ndivo vaikodzera kupiwa
mombe dzekubatsirika pamabasa.
Mombe idzi hadzina kubuda
mudanga ramambo voga asi
nemamwewo makurukota akange
aine zhinji vakabatsirawo.
Musi waitwa hurukuro
dzekubatsirana mumuzinda umu
changamire vakazonorovera matama
pasi moyo woshushikana zvikuru.
Vakange vaudzwa nevafudzi vavo
kuti handira yaiva nezita romusha
yainge yangopengereka kumafuro
zvekusadzoreka. Mombe
yakamhanya nemakwenzi kusvikira
vafudzi vaisiya ichienda hayo
mushure mekuona kuti
vangakuvadzwa nayo. Idzi mombe
dzaipiwa mazita emadzinza dzainge
dzine basa guru pamwe nekukoshera
mhuri. Kushaikwa kwayo uku
kwaitoratidza chimiro chisina
kururama mumusha nokuda
kwemaremekedzerwo ainenge
ichiitwa. Mambo vakademba
kuvadzimu vavo kuti chii chaizvo
chakange choda kuitika mumusha.
Zvakange zvatangira pakuparadzirwa
muzinda, nevanji wavo teverere
handira iyi yongonzi yatetereka
nemasango. Vafudzi vane chitsama
vakarairwa kuti vaperekedzwe
nemamwe mauto vopinda musango
zuva raitevera kunotsvaka handira iyi.
Mangwanani aitevera vanhu
vakashamiswa kuwana Dzvaitsvai
atova padare rungwanani-ngwanani.
Pasina kuparadza nguva mambo
vakatumirwa nhume ndokuuya
vachimhanya nokuti vakange vanguri
vakarindira kuuya kwen'anga iyi.
Changamire wangu regai
kushushikana nezviri kuitika
mumuzinda wenyu muno nekuti vari
nyikadzimu vane chinangwa. Handira
yamadai kushaira hope husiku hwese
iyo regai kuchazvidya moyo nokuti iri
kudzoka hayo pasina mazuva.
Musakanganwe ka kuti makaisa zita
pairi naizvozvo haingotsakatika
zvisina shumo. Vari nyikadzimu vati
vave nenyota saka imi munoziva
zvekuita asi hamuna mazuva
mazhinji. Chinono chinengwe kune
vaeni vachatitsika mukupera
kwemazuva mashoma kwazvo
nokudaro vanofanira kuwana mupeta
watonaka kare. Kana gadziriro dzose
idzi dzapera ndichadzoka pano
kuzopfuudza basa riri kuda kuitwa."
Anodaro Dzvaitsvai vanhu vose
vakati nzeve kwanga kwaari.
Mushure mezvi akahotsira rutatu
ndokusimuka okanyaira
nenhendeshure hoyo dhugu kubuda
mudare ndiye tande kumatumba ake.

Mugadzaneuta nevamwe vake


vakapakwenya pasi vachitevera
makwara emhuka akasiya-siyana.
Sevanhu vakange vasiri kuziva
kwavaienda vaipota vachiti
vakashaya gwara mumwe wavo
osvipira mate muchanza. Mushure
mezvi airova mate aya neminwe
miviri kuya kunenge kwadaukira
dzakutsaku remate ndiko kwavaibva
vananga nako. Vakatora mazuva
mazhinji kuti vanobata muganhu
wenyika yavo. Kuti vazoziva kuti
vainge vave kubuda munyika yavo
Dzivo akakwira mumuti murefu
ndokutarisa mativi ose. Akaona
varume vaive vagere pamisasa
yemashizha vaine zvishongo
zvakasiyana nezvavo. Havana kuda
kutsanangurirwa vakabva vatoziva
kuti ava vaiva varindiri venyika
yaTsindikwa. Havana kuda
kuchimbidza kuzvizivisa kuvanhu
venyika iyi sevanhu vaisaziva
zvavaizofungirwa maringe nehondo
yainge yabvamo. Dzivo akaudza
vamwe vake kuti vaifanira kunzvenga
vanhu ava kana vachizosangana
nezvimwe vave mberi
vaizozviwanawo. Nenguva isipi
vakomana ava vainge vatosuduruka
panzvimbo iyi vatova mukati chaimo
menyika yamambo Tsindikwa.
Sevanhu vaisaziva mamiriro enyika iyi
vaipota vachiti kana zuva rogara miti
votsvaga hunde yemuti yokurara
vozvisunga nemikosi dzamara
kwaedza. Vaitozotanga kufamba
panguva dzerudziyakamwe vave
kunyatsoziva kuti zvikara zvizhinji
zvinenge zvazororawo kufamba.
Vakazoti zvino nzara yotanga
kuvabvunza mitupo apo nyama
yavakange vabva nayo kuGwindingwi
yainge yapera. Michero yesango
yakange iri mishomanana
yavaisanganidzana nayo
isingambovagutsi kana nepaduku
pose. Vakomana ava vakarangana
kuti vamboita zveuhombarume
mumasango iwawa vawane
kunyautsa nzara. Vakange vatoona
kuti vave kutofa nenyota iwo
makumbo ari mumvura. Zuva
rakange rotoda kupinda muna mai
varo apo vakaona dungwe
rengongoni dzichiita murambamhuru.
Mugadzaneuta akaziva kuti
dzaimhanyira mvura kuti dziwane
kurara zvakanaka. Mukomana uyu
akaraira vamwe vake kuti vabve
vanovandira mhuka idzi vowana
imwechete yavanoponda vawane
kupedza nzara. Zvedi vakatevera
mhuka dziya vachivanda nemakwenzi
ndokubva vamirira kuti dzipedze
kunwa mvura vouraya imwechete
pakudzoka kwadzo dzisisamhanye.
Mushure mechinguva danga remhuka
dziya dzakatanga kudzoka dzakaita
mudungwe dzave kuzvikakata
nekuguta. Dzivo akazevezera vamwe
vake kuti vanange huru yacho
yairatidza kuva nemafuta mazhinji.
Vose vari vatatu vakakakatirana
miseve yavo zvine simba vakaruma
miromo yezasi.
CHITSAUKO 26
Panguva yavakange voda
kuregedzera miseve vakavhundutswa
zvakaipisisa nechikwee chakabva
mumakwenzi pedyo navo. Ava
vakange vari madzimai emuzinda
washe Tsindikwa aitsvaka tsotso
dzekuvesa moto manheru iwawa.
Vakadzi ava havana
chavakambofungirawo kuti kunze
kwakange kunei vaitozvifarirawo
zvavo vachiita nyaya dzavo. Vakange
votosunga masvinga avo panguva
yavakanzwika kuseka iyi.
Kuvhundutswa kwakaita vana
Mugadzaneuta kwakabva
kwatovavhiringa kubaya mhuka
dzavo idzo dzakange dzatove
chinhambwe. "Varume tinogona
kunge tave pedyo nemisha tinofanira
kuongoorora nzvimbo yatiri tisati
tazviwisira mumiromo yeshumba."
Anodaro Dzivo vakomana ava
vachibva vasuduruka vonanga nedivi
raipesana neravakange vanzwa
kuseka iri. Vakati vave chinhambwe
Dzivo akakwira mumuti oringa mativi
ose ndokuona kuti zvedi vakange
votopinda mumisha yevanhu
vakarivara. Akaburuka ndokuudza
vamwe vake chimiro chaivepo vose
ndokumboita sevaifunga.
Mugadzaneuta akakwirawo mumuti
muya ndokuongorora achibva
aburuka nekukasira. Akaudza vamwe
vake kuti vaisafanira kungopinda
mumisha iyi zvisina ungwaru nokuti
vaigona kubatwa vakapondwa
nekuda kwehondo yana Chambwe.
Vakawirirana kutora divi raipikisana
neremisha iri vodziva
kumaodzanyemba vari mukati
mesango chaimo. Musi uyu havana
kure kwavakaenda sezvo kwainge
kwasviba ndokurara nenzara yavo.
Zuva raitevera racho vakarusimudzira
rwendo rwavo asi iye zvino vakange
votonyanya kurasika. Kwavainge
vonanga uku kwakange kwatopesana
nedivi raiva nemuzinda wenyika iyi.
Budzi akange asina zvizhinji
zvaaitaura parwendo rwavo urwu asi
panguva iyi akataurira vamwe vake
kuti kwavainanga kwainge kusina
chaedza. Izvi zvakange zvabvira
pakuona divi ravainge vasiya misha
nemazuva avainge vazotora kufamba
vasina kana kusangana nemunhu
zvake. Varume ava vakagara pasi
miromo yachenuruka nenzara
makumbo otanga kuzvimba
nekufamba. "Zvakanaka varume zuva
ranhasi namangwana tombozorodza
miviri tozosimudzira tasimba nokuti
zvakadai izvi hatina kure
kwatingasvika." Anodaro
Mugadzaneuta achitovheesa meso
ake kutsvaka kana pane muti
wekukwira pedyo. Vakomana
vakakwira mumuti ndokugara havo
vachitura mafemo pamwe
nekuzorora. Budzi akange ochema
chema kuti nyoka dzemudumbu
dzainge dzave parumananzombe.
Dzivo akamusimbisa kuti mutoro
unonyanyorema kana wave pedyo
nekusvika.
Mushure mechinguvana vakanzwa
kukuma kwemombe yairatidza kuve
huru kwazvo. Chakavanetsa
ndechekuti maombero acho aiva aye
erudzi runoitwa nemombe dzasvika
panenge pakaurairwa imwe.
Vakambofunga kuti zvimwe vainge
vasvika kumafuro asi zvakavarambira
nekusviba kwainge kwakaita sango
raivaive iri. Vakazviudza kuti hakuna
mufudzi angapinda nezvipfuyo
mugwindingwi rakadaro nyangwe
zviome sei. Kuomba kwemombe iyi
kwakaramba kuchiswedera pedyo
navo zvishoma nezvishoma zvinova
zvakambovavhundutsa.
Mugadzaneuta akange otofungira
kuti zvimwe yaiva nyati yainge
yavhiringwa nezvikara zvesango
ndokurasana nedzimwe dzayo.
Nenguva isipi vakomana ava vakaona
handira ichiuya nepamuti wavakange
vari. Vakangotarisana nemeso
aibvunzana zvizhinji zvisina mhinduro.
Handira iyi yakasvika ndokurovera
nyanga dzayo pamuti uya ichibva
yagwadama kurara zvayo. Haina
kutora nguva zhinji yakabva yamuka
ndokutanga kuomba zvekare
ichinanga mabvezuva. Vakomana ava
vakashaya shumo yazvo
ndokungosona yavo miromo pasina
kana amboti bufu. Budzi ndiye
akazochimbidza kuyeuka kuti
vakange varairwa nasekuru Nhekairo
kuti vachazotungamirirwa nehandira
kusvika mumuzinda wamambo
Tsindikwa. Chiriporopotyo vakomana
vakasvetuka kuburuka mumuti muya
votevera handira iyi. Zvekuti vainge
vaneta zvose zvakabva zvatsvetwa
pasi vakomana vomhanyidzana
kutevera shure kwemombe iyi.
Vakafamba chinhambwe vanyerere
vachipiringishana nemakwenzi kuri
kutya kuti vakangoshaya handira iyi
mumeso avo havaizosvika
kumuzinda nyore. Zuva rakange
rogara miti pavakazotanga kuona
chiutsi kutogoka mudenga ipapo
vakaziva kuti vakange vave pedyo
nemisha. Nenguva isipi vakange
vatopinda mumisha vachingotevera
mombe iya iyo yainge ichingokuma
kubva zvavakange vasangana nayo
musango. Vanhu vaiona vakomana
vatatu ava vaingomirizika
nemaberevere edzimba mitsipa
yakarebeswa kunge furira mudenga
kuri kuda kunyatsoongorora vanhu
ava. Vakazonopinda mumuzinda
panguva dzeruvhunzavaeni apo
handira iyi yakange yokuma zvine
ruzha kupinda zvayakange yabva
ichiita musango. Yakanomira
pamukova wemuzinda washe
ndokutanga kufukura ivhu
nemakumbo emberi ichitunga pasi
uku ichibowa zvakavhundutsa vana
Mugadzaneuta.
Sekurairwa kwainge kwaitwa mambo
Tsindikwa nen'anga huru yenyika
yavo, chakava chipatapata kuita
gadziriro iyi. Pakadanwa nyanzvi
dzaizivikanwa pakubika mupeta
ndokutangisa basa radzo. Majaya
vakabatsirawo nekutema huni
dzaizobikiswa kuchitiwo mhandara
dzichichera mvura. Muzuva
rechinomwe hari dzakange
dzochema misodzi hwahwa
huchitutuma neshungu. Shoko
rakaziviswa kuna mambo kuti
mupeta wakange wanaka. Zuva irori
rekuvira kwehwahwa ndiro zvekare
zuva rakasvika handira yamambo
ichiteverwa nana Mugadzaneuta.
Chiriporipotyo varindi vepasuwo
verusvingo vakamhanya
ndokusvikomira vari nechekure
vachiona handira yashe ichitungana
nevhu. Ava vana Budzi vainge
vakangoti kanha nazvo vasisachazive
zvekuita kana kwekunanga chaiko.
"Ndimi vanani imi mumire apo
sezvinonzi marasika?" Akabvunza
mumwe wevarindi mushure mekuona
zvishongo zvevakomana ava
zvichipesana nezvavo. Mumwe
wevarindiri ava haana kuda
kuzomirira mhinduro akabva angoti
chitsoka nditakure akananga kudare.
Akasvikotsanangurira ishe
nezvevakomana vaive kunze
kwerusvingo uye kudzoka
kwehandira yavo. Changamire
vakaraira Gandiwa kuti anoona
zvakange zvatsanangurwa
nemuchinda uyu kana zvaiva
zvechokwadi. Chiriporipotyo Gandiwa
akange atova kumukova werusvingo
uko akanowana vana Mugadzaneuta
vakasimudza maoko mudenga
zvombo zvavo zviri pasi. "Rega
tinzwe donzvo ravasvitsa muno
shamwari zvichida ungabata vaeni
nekunze kweruoko." Anodaro
Gandiwa achimisa murume uya
wekukandisa ana Dzivo zvombo pasi.
Pasina kuparadza nguva
Mugadzaneuta nevamwe vake
vakazivisa Gandiwa kuti vakange
vasiri vasori kwete asi vainge vaine
matama makukutu namambo.
"Zvakanakai varume iye zvino
zvombo zvenyu tave kuzvibata
tozokudzorerai kana taona muri
vanhu kwavo. Pari zvino ndinoenda
nemi kuna mambo monotsanangura
chinangwa chamavinga muno."
Anodaro Gandiwa ndokuraira
mumwe wake kuti atore zvombo
zvemajaya aya vose
ndokudungamidzana vakananga
kudare.
Mambo Tsindikwa
vakambonyemwerera kunzwa kuti
handira yavo yakange yadzoka.
Vaenzi vakange vaonekwa ava
zvakambovavhundutsa nokuti
vakange vasati vanyatsogadzikana
kubva zvavakange varozvwa upfumi
hwavo. Mudare makasara muine
runyararo vanhu vachipishana
mupfungwa kuti chii zvekare
chakange choda kutora nzvimbo.
Mushure mechinguva vakaona
Gandiwa achipinda akadunganidzana
nemajaya matatu airatidza kuti
akange asiri enyika iyi. Vakomana
ava vakasvikogadzikwa pamberi
pamambo ndokunzi vapfunye
makumbo sevaranda. Vanhu vese
vaiva mudare umu vainge vakaudyura
meso akanzi tsvee pamajaya aya
vachinyatsoongorora. Vamwe ndivo
vakange votobatira ura mumaoko
vachifunga kuti hondo yaChambwe
yange yadzoka kuzovapedzesa.
Changamire pachavo
vakambopindwa nekutya asi
vakazozvishingisa nekuda
kwekujojorodza zera revakomana ava.
Gandiwa haana kuda kumirira
kubvunzwa akabva angopira nyaya
yose kunaishe sematsanangurirwo
aainge aitwa nemajaya aya. Mambo
Tsindikwa vakabvunzurudza
vakomana ava kuti vakange
vachibvepi uye vachidei munyika
mavo umu. Vakaenderera mberi
nekuvhundutsira majaya aya kuti
vakangoita mawara vaizoedzerwa
vave kunyikadzimu. "Pamusoroi
changamire wangu nemi mose muri
muno! Zita rangu rokuberekwa
ndiMugadza,asi vazhinji vave
kundidaidza norekuti Mugadzaneuta.
Vamwe vangu ava ndiDzivo naBudzi.
Tasvitswa muno nevadzimu venyika
yedu nevemuno umu vakati ivo vane
basa rinoda kuti ripfuudzwe pakati
pemuzinda uno newedu watinobva.
Takanzi tikasvika kuno tichaudzwa
zvekuita zvinova zvatichatevedzera
kusvika basa iri raitwa. Vazhinji venyu
mungada kuziva kuti handira yatauya
nayo tainongepi. Iyi mombe takagara
taudzwa kwatakabva kuti ndiyo
ichatitungamirira kuti tisvike pano.
Yatiratidza gwara kubva musango
dema dema riri kumaodzanyemba
kwemuzinda uno. Handina zvizhinji
zvandingade kutsanangura nokuti
zvizhinji takarairwa kuti tichaziviswa
tave kuno." Anopedzisa nokuuchira
maoko Mugadzaneuta ndokugara
hake pasi akatsikitsira chiso.
Changamire havana kuda
kuzoyeuchidzwa kuti ava ndivo vaeni
vainge vatsanangurwa naDzvaitsvai.
Ishe vakaraira Gandiwa kuti aende
nevakomana ava kwavahosi vavo
vanopiwa kudya pamwe nemvura
yokushamba. Gandiwa
akakomekedzwa kuti achengetedze
vakaomana ava zvakasimba
nyangwe zvavo vaiva vaeni. Vakange
vachitya kuzomukirwa mambo
ndicho chikonzero vakati
Mugadzaneuta nevamwe vake
varindiwe mune chose chavangade
kuita. Vakasvikotambirwa nomufaro
kwavahosi kuya zvekuti vakabva
vanyatsoona vega chinonzi mufaro
nekubatana munyika iyi. Sevanhu
vakange vave nenguva huru vasina
kudya chinobata ura vakatanga
nekugadzirirwa usvusvu ndokunwa
vachimirira kuibva kwesadza.
Mhandara dzainekaira pachoto
kubika dzairatidza unyanzvi pabasa
radzo. Nenguva isipi sadza rakange
ratoibva ndokupiwa kumajaya aya
riine mukaka wainge wakakora
zvaidakadza moyo. Hodzeko
dzaiinyatsogona basa radzo
rekukodza mukaka uyo waizipa
zvisina mukare akambonzwa.
Vachipedza kudya vakomana ava
vakabva vambopiwa nguva yekufema
pashure ndokunogeza havo nemvura
yainge ichidziya. Vakanyatsoita
kutova miviri nemvura iyi
ndokuzobudamo voenda kunorovera
matama pasi. Dzemusi uyu hope
hadzina kumbovapa kana mukana
zvekuti chiriporipotyo dzainge
dzatovakaka mbira dzakondo
votoridza ngonono. Gandiwa
nevamwe vake havana kana kudziti
bwai hope vakaedzerwa vakasvinura
semazizi vachinekaira pasasa raive
nevakomana ava. Kunze kuchinoedza
Mugadzaneuta nevamwe vake
vakamutswa ndokuendwa navo
muimba yokubikira kwavahosi.
CHITSAUKO 27
Vakomana vakasvikopiwa bota
remhunga rakaiswa uchi
ndokusvusvura havo vachimirira
zvaizotevera. Panguva iyi Gandiwa
ainge atova kudare nemamwe
makurukota achida kunzwa kuti zvii
zvairongwa panyaya yevakomana ava.
Varume vazhinji vakafumira kuita
mabasa avo nechimbichimbi vachida
kumhanyira kudare uko kwavainge
vanzwa kuti kune vaeni variko. Musi
uyu padare painge pane vanhu
vazhinji kupinda misi yose. Vanhu
vaikurukura dzakasiyana-siyana zhinji
dzacho dzaingorerekera kuvaenzi
vainge vatsika muzinda ava. Panguva
dzerudziyakamwe pakauya nhume
yasekuru Dzvaitsvai ichizivisa
mambo kuti vakokere vanhu vose
pamutambo waida kuzoitwa nezuva
raitevera. Pasina kuparadza nguva
ishe vakatumira nhume dzavo
kufambisa shoko nenyika yose.
Dzakarira hwamanda nengoma
mativi mana enyika iyi zvekuti zuva
rakazosara ropinda muna mai varo
nyika yose yatoziva kuti kwaiva
nebira kwamambo. Vamwe vaiva
kumitunhu yekure vakatotanga
kufamba nezuva irori ndokuzorarira
vave pedyo nemuzinda kuti zvive
nyore pakuzosvika nezuva raitevera.
Vana dorokudya vakatovatira vave
pamuzinda vatomirira kukuduburwa
kwepfuko dzehwahwa. Vaya
venhomba yenyama vakange
vatorodza meno kare vagadzirira
kuikakabvura zvekusara matumbu
odemba demba nekugutisa. Musi uyu
Mugadzaneuta nevamwe vake
vakaswera vari kuimba yevaeni
vachinzi vanyatsozorora havo.
Zvechokwadi vakomana ava
vakazorora ndokutozovirirwa nezuva
vave kutonzwa kugwinya chaiko.
Zvokudya zvaipota zvichitumirwa
kuimba yavo ikoko kuitira kuti
pasawana anovavhiringa. Kana
nemauto ainge akavarinda
akatoudzwa kuti vasaite
zvisakarurama zvingatadzisa
vakomana ava kuzorora. Nezuva
raitevera racho zuva rakazosara
robuda pamuzinda patekeshera
nevanhu vaisanganisira mazera ose.
Sekuru Dzvaitsvai havana kuzotora
nguva zhinji vakabva vasvika
vakadungamidzanamakumbe wavo.
Changamire vachiona kusvika
kwen'anga iyi vakanyemwerera apo
vakange vave kuzobviswa murima
mavakange vari panyaya iyi
kwenguva refu. Vanhu
vakakokorodzwa ndokudanidzirwa
kuti vaite runyararo vape nzeve kune
vakange vachida kutaura. Vanhu vose
vakati ware ware pasi ndokuti mwiro
senhiyo dzaona gondo. Mushure
mechinguva vanhu vagara pasi
mambo vakauya vakatungamirirwa
nejinda ravo guru ndokusvikogara
pachigaro chavainge vagadzirirwa.
Panguva iyi vanhu vose vakasimuka
madzimai achityora mizura vamwe
vakapfunda tsiva. Varume vose
vakabvisa ngowani ndokutanga
kuuchira teverere mhururu kubva
kumadzimai mushure mekunge ishe
vati go pachigaro chavo. Ishe
vaingogutsura musoro
vachinyemwerera kuratidza kufadzwa
nerukudzo rwavaipiwa nevanhu vavo.
Vanhu vose vachizogara pasi
Gandiwa akatumwa kunodana vaeni
kuti vavewo pakati pevamwe
mukuitwa kwebasa iri. Vakomana ava
vakasvikogwadama pamberi
pamambo Mugadzaneuta
ndokutanga kutaura vamwe vake
vanyerere vachingouchira pamwe
naye.
"Takutsikaiwo Mhazi,
Mhondi inopendera pasina gwenzi.
Hekani Mukanyairi,
Maita vakuru vemasango,
Vanovhundutsa vamwe nemukanya
uri muzenze,
Vamadzvovera,
Vabanduri vemapfupa,
Vana meso anozezesa kuringa,
Mukakatira kwasviba,
Vapondi vezvipenyu zvinozvifambira.
Hekani mupwanyanzombe,
Mudya ndichiomba,
Mudzvovakamwe,
Mufa ndichiomba,
Vezvitere zvikwata zvinenge zvizinga
zvouchi,
Kuridza mutsindo pasi pasakara,
Zvaitwa chiurayi,
Jenamuromo dehwe rehosi.
Tatenda vaChamakanda, vaRuminu,
vaZverungu,
Venyika izere mashizha namadu,
Inomera nhemayakanda,
Vamahonyera,
Mhukahuru,
Vatangi vemhuri inemukurumbira,
Jinda Mutasa,
Zvaitwa Tembo yangu yiyi,
Aewa zvaonekwa hweMhazi.
Anoenderera mberi achiuchira
Mugadzaneuta ndokuzoti
mangwanani Mhazi pamwechete
nevamwe vake. Changamire vainge
zvino vangoti kanha vachishamisika
nezvavakange vanzwa kubva kujaya
iri sezvinhu zvavainge vasina
kutarisira. Dzvaitsavi anosekera hake
achiona kushamisika kwainge kwaita
mambo nekudetemberwa mutupo
nemunhu wavaisaziva zvikuru sei
zera.
Mambo vasati vamboti bufu,
Dzvaitsvai akati kwanyamu paainge
agere akabata katsvimbo kake
kaduku duku muruoko rwerudyi.
Musarohwa nehana changamire, uyu
wamunoona uyu ndiMugadzaneuta
mwana wemuera Shumba agere
munyika yaMabharivari. Uyu ndiDzivo
muera Moyo uye inyanzvi mune
zvemakwati ekurapa matenda ose.
Wekupedzisira uyu ndiBudzi nevanji
waMabharivari atumwa nevari
kumhepo kuti abatane nevamwe vake
ava pabasa ravafambira kuno.
Anodaro Dzvaitsvai achivheesa meso
pamwe nekuzhinya seanorasika njere.
Pakaziviswa Budzi kuvanhu
vanakomana vamambo Tsindikwa
vakanyanduka semarimi emoto
vachimhanyidzana kuda kunoponda
mwanakomana waMabharivari.
Vakange voti wavo nevanji ainge
aurawa nezviremwaremwa
zvaMabharivari saka ivo vaidawo
kuponda wake. Pakaita bongozozo
pamuzinda vanhu vave kudzivisa kuti
pasadeurwa ropa zvikuru sei Vengai
ainge atobatira gano muruoko. Iyewo
Budzi wacho achiona izvi akabva
atoti kufa kwemurume kubuda ura
ndokusimuka paainge agere
achitukura pfumo raiva muruoko
rwaGandiwa. Akatozobatwa
naMugadzaneuta pamwechete
naDzivo vachimuyeuchida kuti
mwanawashe muranda kumwe uye
yambiro yavainge vapiwa nasekuru
Nhekairo panyaya yekuzvininipisa.
Budzi akachimbidza kunzwisisa
vamwe vake ndokuzvidzora ogara
pasi achifemera pamusoro nehasha.
Mambo Tsindikwa vakatozoita
zvekusimudza izwi vachikarira
vanakomana vavo vatoona kuti
zvinhu zvingaenda nepamwe.
Vakomana ava vaiva nehasha
dzakanyanya havo asi baba vavo
vaivatya pamwe nekuvaremekedza
zvikuru. Vakazonzwisisa pava paya
ndokugara pasi asi meso avo ainge
asingabve pana Budzi. Mushure
mebongozozo iri Dzvaitsvai
akazoenderera mberi
nekurondedzera rungano
rwevakomana vatatu ava kubva
pakupunyuka kwavakaita mumaoko
ana Chambwe vachizofamba kusvika
munyika iyi. Mambo vakaziviswa kuti
majaya matatu aya ainge atumwa
nevadzimu kuzotsvaka rubatsiro
pakudzikinura vanhu venyika yavo
kubva pautongi hwehudzvanyiriri
hwaMabharivari. Pakamboita
runyararo vanhu vachizvidya mwoyo
kuti ndiani aizoda kuzoisa hupenyu
hwake panjodzi kunobatsirana
nemajaya aya kupandukira nyika yavo.
Uyu wakange uri mutoro wakakurisa
kwazvo kumauto enyika iyi nokuti
pachavo vakange vari mbwende
vachitya zvehondo. Vanhu vose
vazhinji vainge vongoshuwira kuti dai
changamire wavo aramba chikumbiro
chevakomana ava. Pakamboita
mahon'era vanhu vachikakavadzana
vagere pasi vamwe vachiti zvakange
zvisingabviri kuti pasimudzwe hondo
inononyongosana naMabharivari.
Vamwewo ndivo vaitofungira kuti
vakomana ava vaiva vasori vainge
vatumwa kuzovabata kumeso
nekuvakwezvera mumambure
aMabharivari voponderwa munhava
kunge mangoyi. Vamwewo ndivo vaiti
Dzvaitsvai aiva nhume yevadzimu
yemandorokwati naizvozvo
hayaizovarega vachiwira mumiromo
yeshumba.
Mhere mhere iyi yakazodzimurwa
naDzvaitsvai uyo akazoenderera
mberi nokuudza mambo kuti
vaifanira kuita sarudzo dzavo
nekuchimbidza uye havaifanira
kutsamwisa vadzimu pasarudzo yavo.
Achingopedza mashoko ake akabva
araira mambo kuti zvikwanisiro
zvebira iri zviuye pedyo awane
kuvamba bira. Akauyiwa nawo
makate maviri ainge achishinyira
nehwematanda hwainge hwakachena
kunge mukaka. Pakauya hadyana
yaiva yakazara nenhongwa pamwe
netsaiya yaiva nesadza rerukweza.
Zvinhu izvi zvakagadzikwa pamberi
paDzvaitsvai achibva atanga
kuzvitenderera meso akatsvetwa pasi
tsvimbo iri mudenga. Akatenderera
ruviri achienda nekururuboshwe
ndokudzoka nerudyi rutatu achibva
agwadama otanga kururudzira bute
pasi achidetemba zvainge
zvisinganyatsonzwika. Panguva yose
iyi vanhu vainge vakati meso avo je-e
pana Dzvaitsvai vachiona zvaiitwa
vasingade kuzoita zvekunzwa
nevamwe. Achipedza nheketo dzake
Dzvaitsvai akatanga kuuchira
pashure ndokutora rimwe bute
achindonyera mumhuno teverere
kuhotsira kusina muganhu.
Chiriporipotyo pakasimuka gore
dema rakafukidza muzinda wose
ndokuoneka kupenya kwaityisa
kuchibva muchadenga
ndokusvikoparadza hari dzose dzaiva
pamberi paDzvaitsvai. Denga
rakatinhira zvakavharira nzeve
dzevazhinji ndokubva gore riya
raparara sare zuva rakati bhenen'ene.
Izvi zvakaonekwa nevashomanana
chete vazhinji Havana zvavakaona
vakatozoita zvekunzwa dzava
hurukuro. Vanhu vakashamisika
kuona hari dzainge dzatsemurwa kuti
mukati madzo makange musisina
chinhu idzo dzainge dzauya
dzakazara. Dzvaitsvai akaridza
mhururu ndokusimuka achidanidzira
vakomana vengoma kuti vatange
basa ravo. Yakasimuka imwe
harahwa ndokuruvamba rwiro vanhu
vose vachiita mabvumira.
Shumba woyeee..
Shumba yemakuwerere...
Mhazi,Mhazi, Mhazi...
Ndakatumwa nababa...
Mhazi...
Enda unomutora...
Mhazi...
Ndakapinda nemumvura..
Mhazi...
Tiringire vana vako...
Mhazi...
Rwiyo rwakaita mabvumira vanhu
vachidavira ngoma ikati yodandaurwa,
vanhu ndokutanga kudzana huruva
ndokuti togo mudenga.Pasi paiita
sepachatsemuka huruva kuti tsvete
mudenga. Mugadzaneuta nevamwe
vake vakatanga vachagutsura vagere
pasi dzamara zvapinda mumongo
ndivo kwanyamu vachisvetukira
munhandare. Vakasvetuka
sevachatyoka makumbo vana
vevanhu zviuno zvichizvonyongotswa
sezvifimbiri. Vanhu vose vakadziuka
ndokusiira vatatu ava nhandare kuti
vanyatsodzana avawo vengoma
vakati tiri pano. Vanhu vose vakange
zvino vave kuokera majaya aya
achiita zvidavado munhandare
mhururu nemiridzo zvichinzwikira
padenga. Kana namambo pachavo
vakafadzwa nekurimbinyuka kwainge
kuchiita vakomana ava.
Rwakanyararwa rwiyo ndokuvambwa
rumwe zvekare urwu kana vana Budzi
vairuziva kwavo. Dzivo akakumbira
tsvimbo nhatu kuna Gandiwa
ndokupiwa. Vose vakadzibata nerudyi
vakaita denderedzwa vakatarisana.
Ngoma yaka tingurwa vakomana
ndokutanga kutamba zvekare vasina
kana kumbozorora. Tsvimbo
dzakatanga dzichisumudzwa
mudenga ndokupedzesera voita
sevakange vave kurovana nadzo asi
dzisingasviki pamunhu. Vane hana
nhete vakabata kumeso vave kuti
vakomana ava vakange voda
kuurayana asi ivo vakange
vachinyatsoziva zvavaiita. Vanhu
vose vakati kanha nazvo nokuti aka
kaiva kekutanga kuona matambiro
erudzi rwakadai urwu. Zvakatora
nguva majaya achirimbinyuka
netsvimbo dzavo vanhu vachirova
maoko, mhururu nemuridzo
ndokuzonyaradzwa pava paya.
Mugadzaneuta nevamwe vake
vakazogara pasi havo ndokusiya
varidzi vebira vachienderera mberi
nekutamba ngoma nyangwe zvavo
vaishuvira kuramba vachiona
vakomana ava munhandare.
Kwakazoti zuva rave panhongonya
ngoma nehosho zvakambokandwa
pasi vanhu vomhanyidzana kune
zvokudya izvo zvaiva mavhu
nemarara. Vanhu vakadya kusvika
matumbu oda kutushuka nekuzarisa,
vehwahwa vakaita sevachabooka
huro kuchitiwo venyama vainge
vongoita yekutarisa. Mushure mezvi
vanhu vakadzokera pamutambo
wavo dzamara zuva rogara miti apo
mutambo wakamiswa naDzvaitsvai.
Vanhu vose vakanzi vagare pasi
vagamuchirane nezvikombororero
kubva kuvadzimu venyika yavo.
N'anga iyi yakaringa ringa mativi ose
pedzesere nemudenga
ndokusimudza tsvimbo yayo
yovheeswa mudenga. Chiriporipotyo
kwakaita hore mvura ndokutanga
kunaya vanhu vose kusara
kwaDzvaitsvai uyo ainge akati gwaa
kuoma. Haana kana donwe
rimwechete zvaro rakamuenda
pamuviri asi ainge ari mukati
mevanhu vainaiwa ava. Mvura iyi
yakanaya kwechinguva
ndokuzodzimuka hayo pava paya
inova ndiyo yakapendera bira iri.
Vanhu vakatanga kusimuka mumwe
nemumwe vachienda kumamana avo
vamwewo ndivo vakati vaizorara
pamuzinda vozofumira kwavo
kwaedza. Changamire vakatorana
naDzvaitsvai voenda padivi apo ishe
vakaudzwa kuti varege kutya nokuti
musha wainge waiswa varindiri
vekumhepo kureva kuti
hawaizopindwa nemuvengi zvekare.
Ishe vakaudzwa kuti vabvumire
pamwe nekuteerera chose chinenge
chataurwa nevakomana ava sezvo
vainge vasiri kuita zvinhu pachavo asi
kuda kwevadzimu.
Varume vose vemazera epakati
nemajaya abve zera vakaziviswa kuti
vaifanira kunge vari padare nezuva
raitevera racho. Vaiva muchiuto vose
vakanzi vaifanira kutorara pamuzinda
zuva irori sezvo mambo vaiva
nemashoko navo. Nguva
dzakapindana vanhu ndokudya
chirariro, pedzezvo vakabva
vaungana panzvimbo imwe vomirira
kunzwa mashoko amambo. Mambo
Tsindikwa vakange vave
kunyatsonzwisisa kukosha kwebasa
ravainge vatumwa nevadzimu iri
nyangwe zvavo vaiva vasina
chokwadi kuti vangasimudza hondo
yakasimba ikanokunda. Vakazivisa
mauto avo chimiro chaivepo vachibva
vambovapa nguva yekunyatsoita
sarudzo dzemoyo yavo. Musi uyu
hakuna kurarwa vanhu vachifunganya
nezvehondo yaMabharivari kusimba
kwayo. Hapana akada kubudira
mumwe pachena pamifungo yavo
yaingova fungira mumoyo. Vazhinji
vavo vakasara vaine rokuti vaizoenda
havo kuhondo kwete nekuda kurwa
asi kufadza mambo wavo semunhu
akange achivatonga zvakarurama.
Mangwanani aitevera vanhu
vakafumoburitsa mifungo yavo
pamberi pashe vaya vainge vasina
kufarira pfungwa iyi vakabva vanzi
vadzokere havo kumisha. Varume
nemajaya ainge adanwa apa vazhinji
vavo vakasarawo vari kudivi
ramambo vachiti havaizoremedza
ishe wavo nemutoro ari oga.
Huwandu hwevanhu vainge vazvipira
kubatsirana nana Mugadzaneuta
hwainge hwakatodarika pane
hwaidiwa. Izvi zvakabva zvanakira
kuti nyika iyi yaizosara iine varwi vane
chitsama. Mushure mekusara
nevanhu vainge vazvipira ava ishe
vakapa Mugadzaneuta nevamwe
vake mukana wekutaura nevarume
vainge vasara ava. Dzivo ndiye
akasimuka ndokutenda mambo
Tsindikwa nerudo rwavakange
vachivapa kubva pazuva ravainge
vasvika munyika umu. Akaenderera
mberi achiti hondo yaMabharivari
yaiva yakasimba naizvozvo
vaisafanira kungoti pfokocho
mumakwenzi vachiti totondorwisa.
Izvi zvaireva kuti vanhu vaifanira
kumbonodzidziswa kurwa kwacho
vasati vasimuka kuti
zvisazonovaomera vatarisana
nemvumba dzaMabharivari. Ishe
vakakumbirwa kuti vanhu
vambonodzidziswa nezvehondo
kwemazuva gumi nemana mushure
vozonyatsoronga hondo yakasimba.
Mambo vakaona riri dama
ndokutenderana nevakomana ava
kuti vaite pamarongero avo. Chinono
chinengwe bere rakadya richifamba,
varume ava vakatora zvombo zvavo
ndokuenda kure nemisha kunobata
basa.
Varume vakaiswa mumapoka matatu
rimwe richitungamirirwa
naMugadzauta, rimwe Dzivo
kuchitiwo Budzi rake. Kuti basa iri
rivarerukire vakati mumwe nemumwe
wavo aidzidzisa vanhu divi
raakanyanyosimbira kuitira kuti
vanhu vabate nekuchimbidza. Budzi
akange ari kumiseve, Dzivo ari
papfumo, nduni negano, uyuwo
Mugadzauta ari kutsiva nyangwe
zvake aiva nyanzvi muna zvose.
Varume ava vakaudzwa kuti nguva
pakange pasina naizvozvo vaifanira
kuisa pfungwa panzvimbo imwe
kuitira vagone kufambirana nenguva.
Pamarongero ainge aitwa chikwata
chega chega chaifanira kuita mazuva
mana chichidziswa chobva
chaendawo pane mumwe chodzidza
zvimwe kusvika vapedza vadzidzisi
vavo vose vari vatatu. Mushure mezvi
vaizodzidza zvose zvakasangana
nemazuva maviri vobva vadzokera
kumuzinda vogadzirira kusimuka.
Gandiwa nyangwe zvake aiva nyanzvi
pakurwa akaona kuti pavakomana
vatatu ava aiva kure navo
zvakanyanyisa. Zviya zvekunzi
kudzidza hakupere akazvionera
pamhuno sefodya. Akadzidza
zvakawanda mune zvekurwa izvi
zvaakange asina kumbobvira
akatarisira kubva achipinda muchiuto.
Vaya vainge vagara vari muchiuto
hazvina kunyanya kuvanetsa kubata
zvekuti vaingoti kuratidzwa kaviri
votodedemura. Vamwewo ava ndivo
vaitambudzika zvavo asi hazvina
kunyanya kunetsa kuti vagone.
Vanakomana vamambo vaivepowo
pakati pavarume ava vachidzidza
kurwa vaine chidokwadokwa chekuda
kunogura Mabharivari musoro
kutsiva mukoma wavo.
Pazuva retatu kubva zvainge zvaenda
varume ava musango kunodzidza
kurwa, changamire vakafumira
padare apo vakanoita mahwekwe
nemukuru wenhapwa dzenyika yavo.
Murume uyu ainge asingawanzouya
kudare kana pasina zvinenge
zvichinetsa kubandiko rake
raaitungamirira. Mangwanani
Chidewu, ndinovimba hakuna
chakaipa chaitika nhasi zvawatitsika
kudai. Ndinokuziva kuti uri mumvuri
wenyoka hauoneki zvenhando iwe,
vanodaro mambo vachidavidza
murume uyu ainge avamutsa.
CHITSAUKO 28
Kwakanaka changamire wangu,
mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi
nditandirwe imbwa. Sekuziva kwedu
tose ishe kuti mwana asingacheme
anofira mumbereko, kubandiko rangu
uko kwaita varume vanomwe vati
vanodawo kupinda mumauto
akabuda mumuzinda marimwezuro
aya. Pavakomana ava pane uya
wekubva kumavirira mazuva
atazopindirwa nemuvengi aye ati iye
anodisa chose kubatsirawo
pakurwira nyika yake. Anodaro
Chidewu akatarisana namambo
achiuchira ndokumirira mhinduro.
Mambo vakamboti dhuu kufunga
pashure ndokuzoti vakomana ava
vatenderwe havo kunobatana
nevamwe kusango. Pakasvika
vakomana ava kusango kwaiva
nevamwe Dzivo nevamwe vake
vakashamisika kuona Nhindi
achisvikawo nevamwe. Nayewo
muchinda wacho akashamisika
kuona majaya matatu aya ariwo ari
kutungamira gadziriro dzehondo idzi
zvikuru sei Budzi waaitoziva kuti aive
mbwende zvayo. Vana
Mugadzaneuta vakarohwa nehana
zvikuru vachitadza kuziva kuti
muchinda uyu ainge asvika sei
munyika iyi. Pfungwa dzavo
dzakangomhanyira pakuti vainge
vanguva vachirondwa nemauto
amambo Mabharivari kubva vachibva
munyika yavo kureva kuti vainge
vachinyangira inoona.
Vakatozodzikamisa hana dzavo
mushure mekunge varondedzererwa
nyaya yemuchinda uyu. Nhindi haana
chaakasiya kubva pavakasiya
muzinda vachinogadzirira hondo
yaTsindikwa nekutsakatika
kwemauto mazhinji nayewo
achizotizira munyika iyi. Majaya aya
akaona kuti vainge vasangana
newedzinza nokudaro vaizobatira
pamwe kupfuudza basa iri. Zvinhu
zvakatozoreruka nokuti nayewo
Nhindi akabva apiwawo chimwe
chikwata chaaidzidzisa semunhu aiva
noruzivo kupinda vazhinji vaiva apa.
Mazuva gumi nemana avainge
vakumbira kuna mambo akasvika
pakudarika vasati vagutsikana
nevarume vavaidzidzisa ava. Havana
kuda kutumira shoko kumuzinda
vakabva vangopfuurira mberi nebasa
ravo vachiti pazvinenge zvaitira ipapo
ndipo pavaizodzokera kumusha.
Mazuva akapinda mwedzi ndokufa
ukagara mumwe ukafa zvekare
ukagara umwe kusvikira
vatokanganwa zvekumuzinda.
Pakafa mwedzi minomwe varume
ava vachiita hupenyu hwemhuka
ndokuzodzokera kumuzinda
kwavakaita vatova nechokwadi
chekuti zvose zvaringana. Iko
kumuzinda vanhu vakange vasisina
kugadzikana vachiti varume venyika
yavo vainge vakwezverwa mumiromo
yemakarwe. Mambo vakamboda
kutumira nhume kunobvunzira kuna
Dzvaitsvai asi vakazvidzora mushure
mekurangarira mashoko en'anga iyi
kuti vasavhunduka kana nepaduku
pose midzimu yaiva navo.
Mumuzinda washe Mabharivari gore
rachemwa Budzi nevamwe vake iri
mvura yakarambira mudenga.
Kwakangonaya gukurahundi chete
ndokutomira zvakadaro kuita chirimo
mumwaka wezhizha. Mazuva
akapindana vanhu vakangoringa
denga vachiti zvimwe vachawana
donhodzo asi zvakakona n'anga
murapwa achida. Vakamboedza kuita
mikwerera asi chembere dzemvura
dzakazvikoniwa ndokukanda
mapfumo pasi vongotarisa kuti
Nyadenga vaite zvido zvavo. N'anga
duku dzose dzaiva munyika umu
dzakati idzo zvemvura izvi dzakange
dzaita duku pazviri zvaitoda vakuru.
Nyaya yakanetsa kuti Nhekairo
aizoonekwa sei uyo ainge asina
anoziva paanogara. Mambo
vakazongorovera moyo kudombo
ndokutuma nhume nevarwi gumi kuti
vanobatsirana kutsvaka paigara
Nhekairo. Varume ava vakasvika
mujinga megomo ren'anga iyi asi
vakashaya ukwiriko nekuda
kwerukato rwaive ruzeremo. Zvino
vainge votya kudzokera kumuzinda
nokuti vainourawa namambo sezvo
mazuva aya Mabharivari ainakirwa
nekudeura ropa risina mhaka misi
yose. Vakagara mujinga megomo iri
vasisazive zvekuita dzamara kunze
kwasviba ndokuvatapo. Zuva
raitevera racho panguva
dzemashambanzou mugomo
makanzwika izwi guru guru
rakadanidzira richiti, Mabharivari
wakasvibisa muzinda naizvozvo
hakuna mvura inonaya. Izwi rakaita
maungira kupoteredza gomo rose
zvinova zvakavhundutsutsa
machinda ainge arere aya. Varume
ava vakabva pagomo apa
vakadungamidza mabvi achirova
huma, zvitsitsinho zvichionesa gotsi
chamutavanhava. Vakamhanya
zvisina mukare akamboona zvekuti
chinhambwe chavaifanira kufamba
zuva rese vakaita chidimbu chezuva.
Vakasvika pamuzinda zuva rorova
nhongonya ndokutsanangurira
mambo zvavainge vasangana nazvo.
Mambo Mabharivari vakavira
nehasha kuti n'anga iyi yakange yoda
kupinda nemwenje mudziva.
Neshungu vakasimuka ishe ndokuti
vavekunoona Nhekairo ivo pachavo
vakurukure naye arege kuramba
achiita mawara kuda kuedza simba
ravo. Vakatasva mbongoro dzavo
vachiperekedzwa nemamwe mauto
ndokuwira munzira vakananga
kugomo kuGwindingwi. Vakasvikako
hwatova usiku chaiwo ndokuvatawo
mujinga megomo dzamara kwaedza
asi hapana chavakambonzwa kana
kuona. Vakatora mazuva maviri
varipo vachiti zvimwe vaizonzwa
kutaura kwaNhekairo asi zvakakona
ndokuruma nzira vakanga kumuzinda
shungu dzizere mudundundu.
Pamazuva iwawa Ruramai ainge
asina mufaro aigarozvidya moyo misi
nenguva pamusoro paMugadzaneuta
uyo ainge asingabude mupfungwa
dzake. Kuhope dzemhandara iyi
Mugadzaneuta akange atova
chigariro pada nekufunganya
kwakadzama. Ruramai akaona
muhupenyu hwake asingazogoni
kuda mumwe mukomana zvekare
nokuti moyo wake wese ainge aisa
pajaya iri nyangwe zvake ainge asati
abuda pachena kuna Mugadzaneuta.
Chinhu chaimurwadza ndechekuti
pese paaiudza mai vake nezvekurota
kwake Mugadzaneuta vaibva
vatomuudza kuti asiyane
nezvekufunga mukomana uyu
afambire mberi nehupenyu semunhu
aivingwa nevakomana vazhinji.
Mazuva akapindana pasina shanduko
paupenyu hwemhandara iyi.
Akazotanga kuiswa pamiyedzo
nemwanakomana waChambwe uyo
aigaro muudza mashoko ekutsvaga
ukama. Amai vake vakamboedza
kumuyambira vachiti arege kuramba
oita sehozhwa yoda kudududza
yanzwa kuti yarovera. Mwanakomana
waChwambwe uyu hapana kana
chaishoreka paari, pachimiro aitova
nemhumhu kupinda Mugadzaneuta
asi Ruramai akaisa zvitanda munzeve.
Iye mukomana uyu nokuziva kuti
musikana haapfimbwe zuva
rimwechete akaramba akaruma
muromo wezasi achiti pose
paawanira mukana osimudzira nyaya
yake.
Mumuzinda wamambo umu
makange musisadyiwe rinopisa
vanhu vainge vonzwisa urombo
nechimiro chaivepo. Nzizi dzose
dzakapera kupwa kusara kwaKweto
chete uyo aifashukira nemvura yaibva
kwakadziva maodzanyemba
kwenyika iyi uko kwainaya mvura
hobvu misi nenguva. Murwizi umu
ndimo makange mave kuponera
zvipfuyo nemhuka dzesango renyika
iyi asi huswa hwakange hwave
hwekufurira muvhu. Pfumvu iyi
yakagombedzera vanhu vazhinji
kusara kwehurudza dzaiva
nemukurumbira ndidzo dzaiva
nematura ane hupenyu asi vamwe
vose vakava nekudya kwekupara
sehuku. "Zengu shamwari ini zvangu
ndagurwa kunorira nepfumvu yadai
kupfunya chisero munyika medu
muno. Tarira changamire vakapeta
maoko zvavo havana kana nezano
rekuita kunze kwekusiya nyika
ichienda kumawere iyi." Anodaro
Chambwe agere pabwe akabata
rushaya vari munaGwamhara umo
vainge vaenda kunovhima sezvo
mazuva aya vakange vorarama
nenyama yoga semapere. Zengu
anodavidza mumwe wake
achitinayewo ainge aoneswa
chitsvuku kwaari zvaisave nyore
kuyeva vana vake vachiziya nenzara
asi kuti apindire ishe pamberi
zvaisabvira. Chambwe akamboita
chinguva anyerere achifunga
zvakadzama pashure
ndokunyemwerera zvake. "Ino ndiyo
nguva chaiyo yekugura gurwe
makumbo nokurikanda muchoto.
Ngatishandise mukana uno sahwira
tibvise Mabharivari pachigaro tosara
tichita pamadiro. Izvi ndichitaura
kudai ini ndikave ishe ndinenge ndave
kuwana zvekudya zvakafashukira
kubva kuhurudza dzenyika ino kureva
kuti newewo watoguta, unopaona
sei?" Zengu achinzwa zano remumwe
wake iri akafara zvikuru vaviri
ndokurovana maoko vachipana
manyawi kuti vainge varonga zvine
udzamu. Chainge chasara apa inzira
yekuuraya nayo mambo wavo zvaiita
kuti vasanyumwira neruzhinji
rwenyika yavo sezvo zvaizodzikisa
mukana wekuti vatore chigaro.
Zvekuurawa kwamambo uyu
Chambwe akaudza Zengu kuti
asazvidya moyo iye ndiye aizoziva
zvaaita. Kwaari mambo vaiva kanhu
kadiki chaiko kaaigona kutswanya
nechara chimwe zvacho pasina
zvimhingamupinyi. Varume ava
vakanhonga zvombo zvavo
ndokupinda munzira vonanga
kumuzinda vachingova maoko
masango akange avanyima kana
nenyana reshiri zvaro. Nekuda
kwepfumvu yakange iri mumuzinda
umu vanhu vakange vasisina
kunyatsobatana vave kuita mazvake
zvake kutsvaga zvinoraramisa mhuri.
Ava vaviri vaitotorawo mukana iwowu
kuzvisudurudza pana mambo
vachifambisira mberi hurongwa
hwavo hwekuda kudonhedza ishe
pachigaro chavo.
VaMusekiwa naVaMarwei kutambura
kwese uku havana kukuona matura
avo ainge achitotadza kufema
sevanhu vainge vasina wekudya naye.
Chembere idzi nemwoyo minaku
vakatangawo kubatsira vavakidzani
vavo pano neapo vakaona zvisina
kufanira kuvarega vachiziya. Izvi
hazvina kufadza Chambwe akabva
arongana naZengu kunoputsa matura
echembere idzi votora zvekudya.
Vakasimbisana kuti hazvaibvira kufa
nenyota makumbo ari mumvura.
Pamwe pacho hazvidi kubva wapeta
maoko uchiona nzira yekupunyuka
nayo. Husiku hwezuva rechitatu
rakaputswa dura rambuya
vaMugadzaneuta ndokututa rukweza
rwese rwainge rwasara ndokunoiswa
mudura raChambwe. Chembere
haina kana chimwechete
chayakanzwa yakange iri kutsi
kwehope ichitorota hayo. Zuva
raitevera racho vakapindira rambuya
vaDzivo sare risina kana netsanga
imwechete zvayo ndokunozadza dura
raZengu. Zvakatora mazuva kuti
vanhu ava vazive shura rainge raitika
mumatura avo sezvo vakange
vasingapinde pose pose mudura.
VaMarwei ndivo vakatanga kuzviona
mushure mekunge vachida kunokora
mbiya yerukweza kuti vape
muvakidzani wavo wavakange vaona
akakombwa nepwere dzichiziya.
Chembere yakatadza kuzvibata
ndokuipangura mhere yakasvika
munzeve dzaVaMusekiwa avo
vakabva vadonzvaira kunoona kuti
chii chakange chawira sahwira wavo.
Vakasvikorohwa nehana vachiona
shura rakadai iri mumeso avo
zvainge zvisina kumbobvira
zvakaitika. Vakanyaradzana
nemumwe wavo ndokumusimbisa
kuti aisazoziya nenzara ivo
vakazadza dura vaizodyira
pamwechete kusvika mwaka
wadzokedzana. Zuva remusi uyu
risati ravira VaMusekiwa
vakasanganawo neshura
rimwechetero mudura mavo
chembere ikatadza kana kuridza
mhere. Vaviri ava vainge vabaiwa
panyama nhete chaipo kusiiwa
pachena zvakadaro panguva isina
kufanira. Vakademba kuti dai
vazukuru vavo vakange varipo
zvichida zvose izvi zvisina kuvawira
asi hazvinei. Vakatorana vakanopira
nhunha dzavo kuna mambo asi
vakanoudzwa zvakavapedza simba
changamire kutoti vainge vasinei
nezvekubirwa kwechembere idzi.
Vakadzi ava vakadungamidzana
kudzokera kumisasa mwoyo
ichipfungaira neshungu ipapo
vakanzwisisa kuti panguva
yekutambura hapana anokuda.
Zvinhu zvakaramba zvichioma zuva
nezuva kusvika mambo vatoona kuti
navo pachavo vangatozosvika
pakuziya. Vakadana Chambwe
ndokurangana kuti patumwe nhume
inonotarisa kwaTsindikwa kana
kwakanayawo mvura mumwaka uyu.
Hazvina kumbonetsa munhu
akatumwa ndokudzoka mushure
memazuva manomwe nemhinduro
yakafadza changamire. Nhume iyi
yakanodzokera pamuganhu wenyika
mbiri idzi apo yakanoona mashura
kuti mhiri kwaTsindikwa kwaiva
nehuswa hunyoro kwavo kusina kana
nehwakaoma chaihwo. Izvi zvoga
zvakangodudzira mambo kuti nyika
iyi yaiva mumagutwa saka vaigona
kukama havo pamadiro.
Kwakarongwa mauto ane chitsama
ndokutungamirirwa naZengu vari
pambongoro kuitira kuti zvireruke
pakufamba uye pakuzotakura kana
vodzoka. Zengu akamboda kuti
vaende vose naChambwe asi
akazonzwisisa mushure
mekunyeurirwa kuti muchinda uyu
ndipo paaida kusara achipfuudza
mambo ipapa. Dzakasimuka
mbongoro ndokuruma nzira
dzakananga mabvezuva kwamambo
Tsindikwa dzichirova murambamhuru.
Vakambotambudzika vari parwizi
Kweto vachitadza kuyambuka nekuda
kwemvura zhinji yaivemo apo
mbongoro dzikati hadzidi mvura.
Vakaita mazuva maviri varipo
ndokuzobira havo yadzikira asi zvaiva
zvekumanikidzira. Vakafamba
dzamara voda kubuda bani
remuzinda washe Tsindikwa apo
vakakaruka voona vamwe vavo
vachiumburudzwa nemiseve.
CHITSAUKO 29
Zengu nevamwe vake vakafamba
dzamara vanobata bani guru
remuzinda washe Tsindikwa apo
vakakaruka voumburudzwa nemiseve
yavasina kuona kwayaibva nako.
Panguva yavakange vachibira
muganhu wenyika mbiri idzi
vakaonekwa nenharirire ndokutumira
shoko nekuchimbidza kumauto
vachibva vagarirwa mugwara
ravaiuya naro. Vakaregwa kusvika
vapinda mukati chaimo menyika iyi
kuitira kuti pasawana anopunyuka
pakati pavo uye mauto amambo
Tsindikwa vaida kunyatsogutsikana
kuti kwakange kusina chimwe
chikwata chaitevera here.
Mambo Tsindikwa vakange vogara
vachingonyengetera kuvadzimu
venyika yavo kuti vasarega vana vavo
vachiitwa pamadiro nemuvengi.
Nyangwe zvavo mashoko aDzvaitsvai
aimbovapa shingiso asi mukati
memoyo makange muchipfuta moto.
Vakazoti rimwe zuva vagere havo
padare nemamwe makurukota avo
vakanzwa ruzha nekutinhira kwepasi
zvichiuya nedivi remuzinda.
Vakamhanyira panze kunoona kuti
chii chakange chichitora nzvimbo
ndokuona gurumwandira remauto
avo achipinda pasuwo rerusvingo
vachitungamirirwa naGandiwa.
Changamire vakasvetuka mudenga
nemufaro kuita sechana chidoko
chaicho nokuti vakange vazorodzwa
pamifungo yavo. Vakagashira varwi
vavo nemufaro mukuru pamwe
nekuvapa pokugara pakaisvonaka
kuti vawane kuzorora. Mambo
vakagutsikana kuti zvechokwadi vana
Mugadzaneuta vakange vari nhume
dzevadzimu pavakavaona varimowo
mukati mevamwe. Varwi ava
vakazorora kwechinguva
ndokuzounzirwa kudya pashure
Gandiwa ndokurondedzera zvose
zvainge zvaitika kusango
kwaidzidziswa vanhu kurwa. Pavarwi
vose vakaenda kusango uku vashanu
chete ndivo vakange vakundikana
pakukwanira muchiuto asi vamwe
vose vakange vave mhare chaidzo.
Makava nemufaro mudare vanhu
vachirumbidza Mugadzaneuta, Dzivo,
Budzi naNhindi paunyanzvi
hwavakange vanahwo. Nemufaro
changamire vakati kuurawe nzombe
mbiri dzekutenda mauto avo
vachidya pamadiro vachidzora
ndangariro dzezvaiitika musango.
Pavarume vose ava hapana akadzoka
kumusha neronda kunze
kwemavanga chete sezvo Dzivo
aibata basa guru kwazvo kurapa vaya
vanenge vakuvadzwa.
Mamiriro emauto emunyika iyi
akashandurwa naNhindi
achibatsirana nevakomana vokwake
ava zvekuti muzinda uyu wakange
usisapindike nyore. Kumativi mana
ose enyika kwakaiswa nharirire
mumakomo akakwirira ainge
akapoteredza muzinda. Nharirire idzi
dzaiita basa rekuongorora wese
anopinda nekubuda mumuzinda asi
idzo dzisingaonekwi, ukuwo
kumiganhu kwakaramba kune
varindiri veko. Mudundu roga roga
makaiswawo musasa wemauto
anenge achigarako kuitira kuti
vakapindirwa chero nedivi ripi
muvengi aisvikira mumaoko evarwi
ava asati amboenda kure. Hurongwa
hwese uhwu hakafadza mambo
nevagari venyika iyi kuti vakange vave
kuchengetedzekawo kubva
kumhandu. Sevanhu vakange vave
nenguva huru vari munyika umu
vachiona zvakasiyana siyana majaya
aya akange ave kujekerwa nehupenyu.
Dzivo naBudzi vainge vaisa meso avo
pane dzimwe tsvarakadenga mbiri
dzemuzinda uyu. Mumwe wacho
akange ari mwanasikana waGandiwa.
Nekupindana kwemazuva apo vana
Mugadzaneuta vakange vofunga
zvekudzokera kumuzinda
kunopedzisa basa ravakange vatanga
iri. Vari mubishi negadziriro
vakanzwa shoko rakasvika
kumuzinda richiti kune varwi
vakatasva mbongoro vakapakata
zvombo vainge vapindira
nekumuganhu wamambo
Mabharivari. Mauto ose
akakokorodzwa ndokutoudzwa kuti
hondo yavakange vakamirira yainge
yatoswedera naizvozvo vose
ngavapakate zvombo zvavo. Varwi
vakaiswa mumapoka mana boka
rekutanga ndokusimuka rakananga
kwainge kwaonekwa varwi
vemhongoro ava richitungamirirwa
naNhindi. Boka repiri rakatevera
papera chinguva riina Mugadzauta,
retatu rakateverawo riina Budzi
naDzivo. Paboka rechina ndipo paive
naGandiwa, ndirozve rakasara
rakachengeta muzinda kudzimara
vamwe vadzoka. Vakafamba vachiita
zvekumhanya chaizvo nokuti vaisada
kuti muvengi asvike pedyo nemisha
sezvo zvaizokanganisa runyararo
rwakange rune vanhu mumuzinda.
Mugadzaneuta akati iye hondo iyi
yaifanira kunoperera kunze
kwemisha ikoko aine chokwadi
chekuti vanhu ava vachapinda
vachizvitutumadza vachiti iyi yaiva
nyika yembwende. Vazhinji vaiva
pakati pevarwi ava vainge vasina
kumbobvira vauraya munhu
kusanganisira Budzi pachake. Uku
kwaitovawo kwekutanga kurwa
hondo munhoroondo yeupenyu
hwevazhinji kusara kwaNhindi, asi
nekuda kwezvavainge vaona
kumasango uko zvakavapa zvivindi
zvakaipisisa. Rombo rakaipa rakaitwa
nana Zengu nderekuti vakaonekwa
vachiri chinhambwe ivo vasati vaona
chinhu ndokuvandirwa mumakwenzi.
Regai vakuru vati dziva guru ideva
kamwe paunodzoka gwepiri unowana
ngwena dzasvinura. Panguva
yavakange vave pedyo
yakaregedzerwa miseve ichiita
kunaya sechimvuramabwe
yakananga kwavaive. Zengu akaita
zvekuvhunduka achiona vamwe vake
vachiumburudzirwa pasi nemiseve
pamwechete nembongoro dzacho.
Akati achisimudza chiso kuda kuona
chakange chichitora nzvimbo achibva
akwaziswa nawo museve
nepachipfuva uchibuda neseri ndiye
pasi jada. Muchida uyu akadzura
museve ndokuukanda kwakadero,
sare ropa roita kubvinza. Akagwesha
nedumbu Zengu ndokunozemberana
nechiru ndokusimuka tsvimbo yake iri
muruoko achigombedzerwa
nemarwadzo. Dzakange dzangovawo
shungu dzesvosve kuda kukakatira
munhu mumwena, vaZengu vangu
vakaugarwa zvekare mumwe museve
uchinobuda neseri ndiye pesva
muchuru. Akafa amire akangoudyura
meso asina kuziva chakange
chamuparadza. Varwi vakapera kufa
vasina kukwanisa kudzorera kana
museve mumwechete zvawo,kana
kuona paiva nemhandu yavo.
Pahondo iyi pakapona majaya matatu
ayo akakwanisa kuburuka
pambongoro ndiye chitsoka
ndibatsire mushure mekuona kuti
pakange paipa. Chikwata
chaMugadzaneuta chakazosvika
dzatomira nemhuru kare. Muchinda
uyu akafadzwa nekubatwa kwainge
kwaitwa basa nechikwata ichi
kuratidza kusimba kwacho.
Akamhanyisa meso muvanhu vainge
vakati rabada pasi ndokuona mumwe
murume airatidza kupfakanyika.
Mugadzaneuta akasvika
ndokutonona pamurume uya
ndokuona kuti akange achiri kufema
zvakanaka chose,
akamubvunzurudza chimiro chaive
kumuzinda ndokurudunurirwa zvose
zvaaida kuziva.
Mugadzaneuta akarwadzikana
zvikuru nezvaakanzwa zvakasara
zvichiitika kumuzinda vasiko ipapo
pfungwa yekudzokerako yakabva
yamubata zvine simba. Akataurira
vamwe vake vose kuti nguva
yavainge vakamirira yainge yasvika
naizvozvo hapana akange
achadzokera kumuzinda, vainge
votopfuurira kwaMabharivari. Majaya
matatu ekupunyuka panyatwa iyi
akasvika neshoko kumuzinda
rezvakange zvaitika kwaTsindikwa
zvinova zvakavhundutsa vanhu vose
mudare umu. Mambo vakaviruka
nehasha vachipomera Chambwe
mhosva yekusateerera pavakati
aende omene. Jinda iri
rakagogodzwa musoro netsvimbo
richitukwa kunzi raiva nemusoro
wakaomarara kunge damba. Nguva
yekuswero pumhana huroyi pakange
pasina nokuti vakange vasiri kuziva
kuti hondo yaTsindikwa yaizoperera
kupi. Yakarohwa hwamanda
yekudana varwi, nenguva isipi vainge
vaungana pamuzinda voudzwa
mamiriro ezvinhu. Mamwe emauto
aya vakanzi vabve vatonanga
kumuganhu wamambo Tsindikwa
kunodziva kana hondo yavo ichinge
yabira mhiri, vamwe vane chitsama
vakasara vakarindira muzinda.
Mambo vakamboda kuti vavewo
pakati pevarwi dziri shungu dzekuda
kuparadza Tsindikwa nekuvajaira
kwavainge vaitwa asi Chambwe
akapokana nazvo. Muchinda uyu
ainge okwenya mhuno nekasiyanwa
achiti hekani waro mukana wangu
wasvika wekutsidigura riva rangu.
Aida kuti panotanga hondo yamambo
Tsindikwa iye obva atanga nekubaya
mambo vozopedzisa havo basa rose.
Kwaari hondo yaiuya iyi yakange iri
doko kwazvo semunhu vaaiziva dziri
mbwende dzega nyika yose.
Mugadzaneuta nevamwe vake
zvavakasvika pana Kweto vakabva
vakwidza nerwizi ndokunobira vave
chinhambwe vachiitira kunzvenga
mauto aMabharivari kana kuri kuti
vainge vafunga kumhanyidzana
kuzonunura vamwe vavo. Sezvineiwo
mauto akabva kumuzinda aya
akangosvikobira rwizi ndivo tande
kwavainge vanzwa kuti
kwaparadzirwa vamwe vavo
vachitungamirirwa nemumwe
wemajaya ekutiza aya. Vakanosvika
panzvimbo iya nezura rechishanu
ndokuwana pazere zvitunha asi
Havana kana mauto avakasangana
navo. Nekutya kuwira mumuromo
meshumba sezvainge zvaita
vekutanga mauto aya akabvumirana
kuti vadzokere kumuzinda kwaiva
nevamwe vonomirirra hondo yacho
vari ikoko. Musi wavasvika
panzvimbo iyi uyu, kumuzinda
kwakaonekwa chiutsi kuti togo
mudenga chichibva pachikomo
chainzi Shoko. Mambo Mabharivari
vachiona izvi vakambofunga kuti
zvimwe pane ainge apisira sango asi
zvakavarambira nokuti nyika yavo iyi
hapana pakange pachiri kuwanika
huswa hunototsva zvekuita marimi
emoto. Vachiri kushamisika kudaro
vakanzwa mutinhimira wekuimbwa
kwenziyo dzehondo vakabva vaziva
kuti gava rainge radambura musungo.
Mambo vakatora pfumo netsvimbo
yavo ndokukanyaira vachiendako
pamwechete nemauto
vachitungamirirwa naChambwe.
Vakati vave kusvika mujinga
mechikomo ichi vakashamisika
kuona sekuru Nhekairo vachikanyaira
kuvachingura vakaudyura meso.
“Chisi hachieri musi wacharimwa
Mabharivari chawakadya chazopfuka
nhasi. Wakadeurisa ropa zhinji risina
mhaka zvikuru sei reumambo
rawakadeura rave kukuvhima zvino.
Wakarera chikara uchiti inyama nhasi
uno chave kuzokudya, iyi nyoka
yawakaswededza pedyo newe ndiyo
yakonzera matambudziko ose
atarisana nenyika ino nhasi. Sekuziva
kwako kuti vadzimu vagara vane
nzira dzavo dzekugadzirisa zvinhu
nadzo dzakasiyana nepamafungiro
edu venyama." Vanodaro sekuru
Nhekairo vakatendekera tsvimbo
yavo pana Chambwe uyo ainge
ongobvunda nehasha nekuda
kwekufumurwa pachita. Chambwe
akasimudza pfumo rake mudenga
ndokufinyamisa chiso akananga
paiva nasekuru Nhekairo otoda
kuvapfuudza vasati vataura
zvakawanda. Pakataurwa
zvekudeurwa kweropa reumambo
pfungwa dzake dzakamhanyira pana
Budzi haana kumbofungira
zvemwanakomama washe Tsindikwa.
Paakada kuti anobaya sekuru
Nhekairo nepfumo n'anga ikati
wakandiisa riini pfumo richibva
ratorwa nemhepo ndokukandwa
kwakadaro uko. Achiri
mukushamisika kudaro Chambwe
akakaruka aigarwa tsvimbo
nekumusana namambo Mabharivari
vachiti ainge oda kuvatadzisa kunzwa
zvavaida kuziva kubva kun'anga iyi.
Sekuru Nhekairo vachiona izvi
vakabva vafuratira ndiye tande
akananga muchikomo
Shoko,vachisiya vanhu vakangoti
kanha.
Chambwe semunhu ainge agara ane
chinya namambo akabva ati dzawira
mutswanda, akati kwanyamu pasi
paainge aumburudzirwa nashe
ndokumira akatarisana navo. Ivo
mambo havana kumbofungira kuti
Chambwe angavapandukira
vachitarisa kwavakange vabva naye
ari pedyo navo. Muchinda uyu akange
atova chipembere chadya mukonde
chaicho, akaita nhanho mbiri
achienda pana mambo
ndokuvagadza chemupfekerwa,
teverere chamatsenganzungu ishe
ndiye bhindiri. Vasati vatombodii
changamire Mabharivari vakateverwa
pasi ipapo ndokugarwa matunduru
rume ndokugomera nemarwadzo apa
meso ainge ati piriviri. "Usada
kundiedza pwere Mabharivari
wanzwa! Ndakauraya nevanji wako
nechinangwa chekuti ndizosara
ndogara pachigaro, iwe ndakakurera
kwenguva huru kwazvo ndichimirira
kuwana mukana wakaita seuno uyu,
iwe zvako ndipo powondinyosa.
Mambo vachinzwa mashoko ejinda
ravo simba rakavaperera ndokutadza
kana kutsukunyuka vachibva
vangonyikwa bakatwa mugurokuro
ndiye tasa vakadaro. Mamwe mauto
achiona izvi vakatadza kana
kudzivisa Chambwe vaitonzwa
sevakasungwa maoko nemakumbo.
Chambwe asati asimuka pamusoro
pechitunha chamambo Mabharivari,
vakakaruka vakomberedzwa
nemauto amambo Tsindikwa
achitungamirirwa naNhindi. "Kandai
zvombo zvenyu pasi moisa maoko
mudenga nekuchimbidza, kuwana
anotsukunyuka pake panomuperera."
Anodanidzira Nhindi akafinyama
chiso asingamboratidzi zino pachena
apo mweya wehondo wainge
wamugara. Izwi rakataura iri
Chambwe akariziva asi ainge asina
chokwadi kuti anzwa chaizvo.
Akasimudza chiso ndokutarisa
kwaibva izwi riya ndokurohwa nehana
achiona Nhindi akatoisa museve
pauta atogadzirira kubaya. Haana
kupiwa nguva yekubvunza Chambwe
akatowedzera kutya achiona mauto
ake achikanda zvombo pasi
vosimudza maoko sekurairwa
kwavainge vaitwa. Varume ava
vakaona kuti vakada kuedzesera
kurwa nemakomberwo avainge
vaitwa vaipera sembeva dziri
mumwena. Chimwe chinhu chakaita
vachimbidze kukanda zvombo pasi
ndiBudzi wavakaona ari pakati
pevarwi ava. Dai kusiri kuti varume
ava vainge vaiswa pachimanikire,
vazhinji vavo vaipera kutyoka
makumbo nekutiza vachiti vaona
sengu raBudzi masikati machena
sezvo vaiziva kuti ainge akafa kare
kare kwazvo. Nhindi akataurira
varume ava kuti vainge vasina
kufambira kudeura ropa zhinji
naizvozvo akati vasarudze mhare
yavaivimba nayo yotatsurana
nemhare yekudivi rake. Izvi
zvaidudzira kuti mhare inenge
yakundwa nedivi rayo rose rinenge
radyiwawo zvekare. Varume vose
vakabvumirana nezano nokuti raiva
rakanakira chose pakuchengetedza
hupenyu hwevanhu vazhinji. Kudivi
raana Nhindi munhu wese ainzwa
kuti dai ndiri ini ndamisidzana
nemhare yenyika iyi, vainzwa
manyawi sevanhu vainge
vachangobva kuzvidzidzo zvehondo.
Mauto amambo Mabharivari ose
akatsikitsira pasi kutya kurwa,
Chambwe ndokudzungudza musoro
achikanyaira kuenda pakati.
Akasarudza omene kuti aida kuti
varwe netsvimbo zvimwe zvombo
ndokutsvetwa padivi iye ndokumirira
mhare yedivi raTsindikwa. Nhindi
akagadzika zvombo zvake pasi
ndokusara nenduni chete oda
kufamba kuti anotasturana
naChambwe. Chiriporipotyo anobva
abatwa bendekete naBudzi uyo
aisvimha misodzi achiona chitunha
chababa vake chirere muvhu. Shungu
dzakamumonera zvakanyanya
ndokuona zvakakodzera kuti abve
atsiva rufu rwababa vake kwete
zvekunzi chisi hachieri musi
wacharimwa kwaari akazviramba.
Chambwe achiona chiso chaBudzi
akavhunduka zvikuru achibva
ambodududza asi akashaya
pekupoya napo rume rakange
rafunga kubereka tsoka. "Rega hako
kutya Chambwe kana waifunga kuti
wandigona wakazvinyepera nhasi
tasangana pajekerere ndinoda kuti
uratidze hurume hwako kwete
zvemusango zviya uchivanda
nemakwenzi. Nhasi waparadza baba
vangu uriwe zvekare wakavapinza
mugwara rakashata nekuda
kwemakaro ako, waiti zvinoguma
nepi? Ndinoda uzive kuti kana
ukandikurira nhasi asi hauzombofa
wakawana rugare, Dzivo
naMugadzaneuta vari kukuvhima
zvakasimba. Pauviri hwedu mumwe
achava sadza mumwe usavi zuva
risati rapinda muna mai var..!" Haana
kuzopedzisa mashoko ake Budzi
akabva airegedzerwa nduni
yakasvikomudhegemura bendekete
akarivara, ndiye pasi bhidhiri.
Chambwe akarova chikwe-e achiti
ndiyo mhare yekwenyu here iyi,
chiriporipotyo akasvetukira Budzi
pasi paaiva achida kunomupedzesa
nebakatwa raainge azvozvonora
muhara maro. Budzi akakungurukira
padivi Chambwe achisvikorovera
muvhu nedumbu panguva
imwecheteyo akachigarwa
chematsenganzungu achibva atunga
ivhu. Vanhu vose vainge
vakangoudzyura meso vakatarisa
zvikara zvichitatsurana munhandare
zvichifemera pamusoro semadhadha.
Budzi akanhonga tsvimbo yake
ndokuisumudza mudenga oda
kupaza musoro waChambwe uyo
akabva adaukira padivi achivheesa
meso kutsvaga kwainge kwawira
tsvimbo yake. Akadzokorora zvekare
Budzi ndokunzvengwa tsvimbo
ichisvotoka muruoko ndokuwira
mumauto amambo Mabharivari ainge
agariswa pasi, sare angova maoko
chete. Chambwe akamhanyira paiva
naBudzi achida kunomubata
gurokuro achibva apingwa ndare
ndokuzvambukira pasi achinorovera
nehuma. Asati asimuka ipapo
akakaruka agarwa mutunduru
zvibhakera ndokutanga kunaya
kumeso sare kwaita urubvu rubvu
kubvaruka zvoti meno maviri
epamberi ainge adonha. Budzi
akawetsa bakatwa rake oda kugura
musoro ipapo anobva adanidzirwa
kuti amire naMugadzaneuta uyo
akange achangosvika kubva
kumuzinda.
Mugadzaneuta nevamwe pavakabira
rwizi Kweto akatorana naDzivo
nemamwe mauto gumi ndokunanga
kumuzinda vachisiya vamwe vavo
mubani reChamapenzi. Chinangwa
chavo vaida kunoongorora mamiriro
aive kumuzinda kana kwaikodzera
kuti vamwe vasvike nehondo. Vakati
vachisvika seri kwerusvingo
rwemuzinda vakanzwa mhere mhere
mukati izwi ravahosi vashe
richidanidzira kuda rubatsiro. Vanhu
vose mumuzinda pavakanzwa
nezvehondo vakapinda mudzimba
ndokuzvipfigiramo sare panze pasina
kana ani zvake aifambapo. Jaya
raChambwe semunhu ainge anetswa
naRuramai akabva atoti zviri nani
kushandisa chisimba kuziva
mhandara iyi zvekumanikidzira. Izvi
zvaizomuitira nyore kumuroora
nokuti anenge asisina mumwe
murume achamuda kunze kwekunge
achitoenda pabarika. Jaya iri
rakashandisa mukana werunyararo
pamuzinda ndokushanyira Ruramai
kumisasa yamai vake uko akasvika
mhandara ichitosunga misuwo
yedzimwe dzimba kuti vawane
kuvanda mune imwe. Vaviri ava
vakabatsirana kusunga mikova iya,
uyu musikana achifunga kuti
ndezvemazuva ose asina kuziva kuti
ainge akarongerwa zvikukutu.
VaMaidei pavakaona mukomana uyu
asvika vakabva vanogara muimba
yokubikira havo vachiti vaviri
votaurirana vari panze havo
vasingade kuvhiringa vana. Panguva
yavakange vosunga sasa retsapi jaya
iri rakabva rasundidzira Ruramai
mukati iro richitevera nekutopfiga
mukova. Mukomana akaziva kuti
ainge asina nguva yakakwana akabva
angosvetukira musikana
achimupinga ndare ndivo vese pasi
bhidhiri. Ruramai achiona izvi akati
nhasi pangu pandiperera
ndokuikwetsura mhere
yakavhundutsa mai vake kuimba
yokubikira kwavaiva. Vakamhanya
vachida kuona kuti chii chainge
chawira mwanasikana wavo
ndokuwana gonhi rakatopfigwa
munhu ari kuchema ari mukati.
Vahosi vakaipangurawo yavo mhere
yekutsvaka rubatsiro vanhu vaiva
mudzimba vakabva vatofungirawo
kuti hondo yainge yasvika
mumuzinda vose ndokuti kwati kwati
nemba sezvipotanemadziro.
Mugadzaneuta achinzwa mhere iyi
akakwira rusvingo achidongorera
ndokuona mumuzinda musina kana
munhu aifamba famba. Jaya
rakadanidzira Dzivo kuti vapinde
vanoona zvakange zvasaka vahosi
vashe varidze mhere zvakadaro.
Nenguva isipi vakange vave patsapi
yashe apo vakasvikorova gonhi zvine
simba richibva rati bherengende
ndokuwana mwanakomana
waChambwe achiedza kuda kuziva
Ruramai. Dai kusiri kurumwa
kwaakamboitwa pabendekete
kwakamudzosera shure vana
Mugadzaneuta vangadai vakawana
dzamira nemhuru. Nehasha
Mugadzaneuta akasvikotakanura
jaya iri achirisundira kwakadaro uko,
chiriporipotyo akamutevera
neganyamuto yembama yakamusiya
oona nyeredzi masikati machena.
Havana kuda kuzoparadza nguva
vakomana ava vakasunga jaya iri
ndokudzokera naro kwavainge vasiya
vamwe vavo ndokusiya VaMaidei
nemwanasikana wavo vakangoti
kanha. Ruramai naamai vake
vakasara vasiri kutenda meso
zvavainge vaona neavo meso.
Vakomana ava vakasvika kubani
Chambwe achirikitwa zvakaipisisa
naBudzi vachibva vakumbira nevanji
washe kuti ambomira padivi vaokere
mhou nemhuru yayo zvichirwa.
Chambwe akapiwa nguva
yekumbofema pashure achibva
agashidzwa tsvimbo kuti atatsurane
nejeche rake vanhu vose vakatarisa.
Akapererwa nechiitiko ichi achibva
akanda tsvimbo pasi, achiti zvainge
zvisingaite kuti ateure ropa rake
pachake. Akakumbira kuti kana
zvichibvira varume ava vamuuraye
havo pane zvavakange vachida
kumuitisa izvi. Budzi akazarirwa
nehasha ndokunanavira bakatwa
rake ndokuenda paiva naChambwe.
Muchinda uyu asviko mubata musoro
ndokudambura gurokuro akatarisa
divi. Chambwe akangoti pfau pfau
ndiye tasa chisarai. Jaya rake
richiona zvakadai izvi rakabva rati
handingambomirira kufa
ndichichekwa sehuku. Mukomana
akaringa mativi ose ndokukwakuka
akananga paiva naMugadzaneuta
achinomudhuma zvichiwira pasi
zvose. Mugadzaneuta akadonha
zvakaipisisa ndokurovera pasi
negotsi achibva ambonyarara
kwekanguva akadaro, ndokuzopatika
hake. Akamuka akaita kubitirirwa
nehasha ndokudanidzira jaya iri kuti
ripinde munhandare arwe naro.
Hasha dzose dzekumuona achida
kubhinya Ruramai dzakabva
dzamuvinga zvekusara ave kunzwa
kunhuwa kweropa mumhuno dzake.
Vakomana ava vakange vari
vemazera mamwechete asi Zivai
(mwanakomana waChambwe) aiva
nemhumhu mukuru kupinda
Mugadzaneuta. Vaviri vakatarisana
nemeso aitaura zvizhinji uyu Zivai
achiti ndiwe wainditadzisa kudiwa
naRuramai, uyuwo Mugadzaneuta
achiti ungade kubhinya mhandara
yangu here iwe. Zivai akazviudza kuti
uno ndiwo mukana wekutsiva rufu
rwababa vangu naizvozvo aifanirwa
kufa nemumwechete wevarume ava.
Akakwakuka paaive amire achiti
ndonobata Mugadzaneuta huro
achibva asanganidzana nechibhakera
chakano zungunutsa mazino
mashanu epamberi sare angoti
rengwa rengwa. Zivai akasvipa ropa
ndiye nyonde pasi nemusoro achibva
aregwa kuti amuke. Mugadzaneuta
ainge ati haarwe nemunhu akarara.
Akasimuka mukomana
ndokusvetukira Mugadzaneuta
zvekare achibva anzvengwa
ndokuchimbidzika kudzoka
achimbundikira jaya iri nekumusana.
Mugadzaneuta akamboedza
kupunyuka asi ainge akabatwa zvine
simba, achiri mukurwisa kudaro
akabva arumwa nzeve mukomana
akati ogomera nemarwadzo.
Akatoona kuti akaita mawara
aidamburwa nzeve achibva akoka
simba rake rose ndokuzabvurira Zivai
kwakadaro uko. Akabata nzeve
ndokunzwa ichijuja ropa mukomana
ndokubvunda nehasha, achisimuka
paainge akatonona achienda pana
Zivai. Zvibhakera zvakanaya pana
Zivai chiso chese chakazvimba
nenguva isipi, mukomana akatoona
kuti ofira pasina ndikupudzuka ndiye
dhugu kubuda mukati mevanhu
obereka tsoka. Akangoita nhanho
gumi chete achibva augadzwa
museve naVengai ndokuumburukira
pasi nekutooma akadaro.
Nguva yaunguno itika bongozozo iri
zvaive mumeso aTsvoti. Paakanzwa
Chambwe ava kurudunura gure rose,
muchinda uyu akabva angoti pote
seri kwegwenzi ndiye chitsoka
ndibatsire. Tsvoti akatetereka
nesango pamwe achiwira
mumakomba neminzwa. Muchinda
uyu akamanya kwenguva refu
ndokunomira ava muchakasara
munaGwamhara. Akati ari mubishi
kufunga kwekunanga, varidzi
vesango vakabva vaomba
kamwechete. Muchinda uyu akabva
angoyeredza ndove nemvura ndiye
pasi dhii negotsi. Akapepuka
akabatwa nechadzimira, ndokunanga
pagwenzi remutondo osvuura gavi.
Muchinda uyu akasunga gavi
chishwe ndiye mumuti kata
ozvisungirira.
Vanhu vakambotura befu pashure
ndokutorana vonanga kumuzinda
vachisiya zvitunha zvakangoti rabada
mubani. Chekurwira pakange
pasisina mauto amambo Mabharivari
akabva atobatanawo nana
Mugadzaneuta voita chikwata
chimwechete voenda kumuzinda.
Vakasvika padare vakawana sekuru
Nhekairo vatovako kare vakagara
pamukova wedare negate raiva rizere
mvura. Mauto ose akanzi ageze
kumeso nemvura iyi kuitira kuti
vachenure pakudeurwa kweropa
kwainge kwaitika pahondo iyi kubva
pakutanga. Vanhu vakazodanwa
pamuzinda votsanangurirwa zvainge
zvaitika kusvika Budzi,
Mugadzaneuta, Dzivo naNhindi
vatsakatika kwamwedzi mizhinji
yakadaro. Pakava nebembera
pamuzinda vanhu vachifarira
kudzoka kwevakomana ava zvikuru
sei VaMarwei, VaMusekiwa,
VaMaidei naRuramai. Rufu
rwamambo rwakazoziviswa mazuva
apindana,nyika ndokusurukirwa
ichichema mambo nyangwe zvavo
mwoyo yavo yainge yasviba neutongi
hwemurume uyu. Ruramai
paakataurwa naye naMugadzaneuta
haana kuzoda kuramba oti
pamunhondo pamusasa, akabvumira
padenga kuti ave mudzimai wejaya iri.
Budzi akanzi aifanira kutsvaga
mhandara yekuroora mumazuva
asingadarike mwedzi mitatu kuitira
kuti agogadzwa pachigaro
osimudzira utongi hwedzinza rake.
Semunhu ainge aine mhandara
yainge yatosvora moyo wake kunyika
yashe Tsindikwa akatoti
aizodzokerako mumazuva mashoma
anotevera onofambisa nhaurwa
dzacho. Dzivo akasimbisawo achiti
aizobatana pamwe nanevanji
kunovaka ukama nenyika yainge
yakavakomberedza iyi kuitira kuti
varambe vachifambirana.
Mambo Tsindikwa vakasara
vachishushikana zvikuru pavakanzwa
kuti mauto avo ainge atobira
kwaMabharivari kutevera hondo.
Mupfungwa dzavo vaingoti dai vanhu
vangu vakasaparadzwa ikoko nokuti
vaimuziva Mabharivari kuti aiva
nezviremwaremwa zvairwa
semvumba. Vakazoshamisika kuona
dungwe remombe richiteverwa
nemauto avo kumashure vachisvika
pamuzinda. Pavanhu vavo hapana
kana mumwechete zvake ainge
amedzwa nehondo iyi kana
kukuvadzwa chaiko. Makava
nemufaro mukuru kwazvo munyika
iyi vanhu vachipemberera kudzoka
kwepfuma yavo yainge yakarozvwa
nemusvetasimba Mabharivari. Ishe
vakazonyanyisa kufara pavakanzwa
kuti Budzi ainge achizouya kunoroora
mumuzinda mavo zvinova
zvaitsanangura kusungana
kweukama hwakasimba panyika
mbiri idzi. Chinono chinengwe bere
rakadya richifamba. Mugadzaneuta
akabuda pachena panyaya yake
naRuramai achibva apiwa pfuma
yaakasiirwa nasekuru vake
ndokunobvisira mudzimai wake roora
ndokuuya pamusha. VaMusekiwa
vakafara zvikuru nechiitiko chakadai
ichi pamusha pavo vakange vave
nemuchengeti wavaizoturirawo
zvinovanetsa. Mushure memazuva
Budzi naDzivo vakatorana neharahwa
mbiri dzemunyika mavo nemamwe
mauto gumi pamwechete
naMugadzaneuta vodzokera
kwamambo Tsindikwa. Nyaya
dzemarooro evekomana ava
dzakafambiswa negwara
ndokutakurana nemadzimai avo
vodzoka kumuzinda. Budzi ainge
aroora mwanasikana waGandiwa,
kuchitiwo Dzivo akatora mwana
wemwanakomana waVaRuzivo.
Umwe neumwe wevakomana ava,
akapiwa mombe zana namambo
Tsindikwa dzekuvatenda nebasa
ravakabata. Mambo Tsindikwa
vakakokwa pamabiko ekugadzwa
kwaBudzi vachibva vauya
nemakurukota avo kuzopemberera
pamwechete nezvizvarwa zvenyika iyi.
Basa rakafambiswa zvakanakisa
chose Budzi ndokugadzwa paushe
mumwedzi wechina kubva pahondo
yekutora baba vake. Muchinda uyu
akasarudza Mugadzaneuta kuti ave
mutevedzi wake achiteverwa naDzivo
uyo aizoita mabasa maviri kurapa
mhuri you mambo. Nhindi akaitwa
mukuru wemauto, VaChitsama
ndokuramba vari chipangamazano.
Vanhu vakapemberera mambo wavo
mutsva uyo aikurudzira kubatana,
runyayaro nekushandira pamwe
mubudiriro dzenyika. Muzinda washe
Tsindikwa newaBudzi
yakabatanidzwa kunyikadzimu
naizvozvo vakava neushamwari
hwakakomba. Mushure memwedzi
miviri kubva zvagadzwa Budzi
pachigaro mvura bumharutsva
yakaturuka teverere zhizha
ndokugundika nyika yose ikava
nemafaro. Budzi ainge achitevedzera
chose chaitaurwa naVaChitsama
sezvo vainge vaona zvizhinji munyika
yavo iyi. Mwedzi yakapindana akave
makore, rusvingo ndokuputswa kuti
rwuvandudzwe. Vachiita izvi chaive
chiri chinangwa chekuti
Mugadzaneuta naDzivo vasagare
kure namambo, sezvo varume ava
vainge varamba kubva pamisha
yemadzisekuru avo. Mambo Budzi
vakauya nepfungwa yekuvakwa
kwematura makuru enyika yavo.
Mushure mekukohwa, mugari wose
wenyika iyi aisungirwa kuunza
tswanda doko padzose izere mhunga
kana rukweza. Izvi zvaizobatsira
nyika yavo kana kuchinge kwaita
nzara umwe mwaka. VaMaidei
vainge voswera nezvizukuru komana
zvana zvemuroora wavo. Hosi huru
yenyika VaMaidei vainge vachiraira
vahosi vemwanakomana wavo,
zvaiwanikwa pabarika kuitira kana
azotsvagirwa vakadzinyina.
Changamire Budzi vaifadzwa
nekukura kwainge kwaita dzinza ravo,
izvo zvaiita vagare vachipembedza
mudzimai wavo. Pamusha
waVaMarwei painge pave nemhuri
huru, mushure mekunge Dzivo aroora
mudzimai wepiri. Muchinda uyu ainge
ane mwanakomana umwechete
nevasikana vaviri. Umwe neumwe
aibika muimba yake ega, kuitira
kugura mitauro. Mugadzaneuta
akatanga nekubarirwa mapatya
nemudzimai wake uyo waaidisa
zvikuru. Umwe wevanakomana vake
akabva atomutsidzira zita rababa
vake paari. Muchinda uyu
akawedzera kuvanduka ukama
munyika yavo, apo akaroora gotwe
raVaChitsama iro rainge
rakadzvokorwa nevazhinji. Mushure
me mwedzi umwechete mudzimai
uyu ainge atsika mwedzi.
VaMusekiwa vainge vomirira kudya
nekugeza sezvo basa rainge richiitwa
nevazukuru vavo. Chembere iyi
yaigaro raira madzimai
aMugadzaneuta zvaifarirwa kudyiwa
nemurume wavo, pamwe
nekudzidzisa kugutsikana nezvavaive
nazvo. Kubatana kwemhuri mbiri idzi
kwakaramba kuchienderera mberi.

MAGUMO

Rutendo rukuru:
Procy mwana wamai ugare kure
nemoto. Pasina iwe hazvaigoneka
kuti ndisvike kupedza nganonyorwa
iyi. Mwari ave nemi Wadyegora.

You might also like