Professional Documents
Culture Documents
GRADE 5 Shona Pper 1
GRADE 5 Shona Pper 1
28 Chikumi 2016
Wadiwa Tete
Mufaro uri kupfachuka kubva mandiri. Ndaiti zvandiri nherera ndianiwo ane basa neni.Ndaiti
kuiswa kuBhodhingi kuraswa. Kubva kuKariba kwese uko muchiuya kuzoona kamunhu kadiki
seni kudai.Kuuya kuzoona zvandinoburawo pano paStanley .Mudzidzisi neshamwari dzangu
vakakahadzika norudo rwakadai.Handizivi kuti ndokutendai seiko tete vangu. Dai Mwari
vandipawo moyo unenge wenyu.Makataridza kuti hamusi tete asi nyakutumbura,mai vangu
chaivo.Ndinovimba makafamba zvakanaka kusvika ikoko.
Ko makadini nemhuri yose? Ini ndiri kushanda zvokusakunyadzisai .Tozoonana pazororo
sokurongerana kwatakaita
Wenyu
Tomasi