Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 5

NOAH’S ARK ACADEMY

SHONA PAPER 1 TERM 1 2023


Verenga nyaya ugopindura mibvunzo inotevera.
VaMurambabako vaigara nomwana wavo VaMoto vakanga vatochemberawo kwazvo.Vaigara
mubhuku rekwaRwanyanya mumadziro mechikoro chekwaMakumbe .Mbuya ava vaikarosvika
makore zana negumi.Zvinonzi rimwe gore VaMurambabako vakarwara ndokusvika pakunzi
vanyarara.Zvokuchipatara zvaiera makore iwawo saka vaiva pamba.Mai vati zii, mwana
akaipangura.Vanhu vakakoromoka vachiuya kumariro.
VaMoto vaichema zvinosiririsa vachiti “Ndichagara naniko zvandiri zai regondo?”Ramangwa
varume vakamukira kukwira gomo raiva pedyo kuti vanochera imba yavo yakati kwati
nedombo.Iyi ndiyo yaiva tsika yamakore iwawo kuviga mugomo. Vapedza, chitunha
chakatakurwa kuenda kuimba yezororo.Chakaiswa mukati zvakanaka.Vanofushira
pavakangokanda foshoro yevhu yokutanga vakanzwa . “Yohwe ! Yohwe!” Vakamboda kutiza
asi Havana dzapedyo dzakanyatsoteerera dzakadongorera wanei A! munhu ari kutorwisa kuti ati
kwanyamu.Vakapinda ndokuvaburisa vakaona kuti munhu aiva mupenyu.Vakavatakurira kumba
kwavakanopakwa bota rezviyo ndiye boi boi kusvinura.Rakazovira vototaura vanhu vakati, “Ava
ndiVaMurambabako.” Ndipo pakatangira zita iroro.
1.VaMoto vaigara nani?
A.Mbuya vavo B.Mai vavo C. Tete vavo D.Mwana wavo
2.Nderipi izwi rinoratidza kuti VaMurambabako vakafa ?
A.vakanyarara B.mumadziro C. akaipangura D.vakakoromoka
3.Mwana anozvarwa ari ega mumhuri anonzi
A.patya B.gavamwedzi C.gambe D. zai regondo
4.Basa guru raiitwa naVaMoto nderei ?
A.Kugara pamadziro naamai vavo B. Kuchengeta mai vavo
C.Kuudza vanhu kuti mai vafa D. Kupaka mai vavo
5.Vanhu vaida kuviga mbuya ava kupi ?
A. Pamba B Kusimetiri C.Mugomo D.Pedyo nerwizi
6.Chii chakada kutizwa navanhu?
A.Rinda remugomo B. Kufira pamba C. Kudirwa kwevhu D Kuchema kwechitunha
7.Kubva,munyaya,imba yakagadzirwa nei
A.Zvitina BYakacherwa C. Mabwe D.Mapango
8.Sei vakazanzi VaMurambabako?
A.Vakati havadi kuvigwa mubako B Kwaiva kure nekumba kwavo
C. Vakamuka vava kuvigwa mubako D. Vakararamiswa nebota
SARUDZA IZWI RAKAKODZERA
9.Mukadzi akakuzvara unomuti ----
A.tete B.mwana C. mbuya D.mai
10.Muviri womunhu akafa unonzi---
A.chitunha B mushakabvu C.gavamwedzi D.munhu
11.Kupa munhu zvekudya muchimuisa mumuromo----
A. kubikira B kupaka C.kupakurira D.kupeputsa
12.Zuva risingashandwi mushure mokunge munhu akafa avigwa rinonzi---
A. chisi B manyaradzo C mahakurimwi D.kurova guva
Tsanangura zvinoreva madimikira awa
13. Kutsigisa hana.
A. kuvhunduka B. kusavhunduka C.kutsvaka pekufira D.kufunga usati wataura
14. Kubatiswa dombo.
A.kudzivirirwa B.kumiswa pabasa C.kuvhundutswa D. kunyengedzwa
Sarudza izwi rinopikisana nerakatarwa
15.Sekuru vangu mupfumi

A murombo B vane mari C ishoroma D ihuzvu


16.Mwana wedhongi anonzi---
A. mhuru B mubhemi C. chiduwa D chidarimbo
Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo
Kusanaya kwemvura mwaka uno kwakashungurudza vazhinji muno munyika kunyanya
kumaruwa.Vanhu kumaruwa vanzwa nokufamba vachishuzha.Zviya zvekudya katatu katatu
zvakapera kare.Zvembuva kuchikoro vazhinji kungoenda vachifamba.Anoenda nomutakura
anonzi ndiye ane goridhe.Vazhinji vanofamba nomushanu nokuti mari iri kutsvaka
chokumedza.Chiona kubvunda kwavanoita kuchikoro tsoka neminwe zvaoma
nechando.Mumabhuku kunyora kungotaratadza.Vadzidzisi vava kutozvinzwisisa kuti haisi
mhosva yavo asi kuti idambudziko rakabva pakusanaya kwemvura.Mipimbira inongova mbadzu
kunge bhuku resanhu.Vana havambokwanisi kudzidza kwazvo.Vanobudirira muzvidzidzo
ndevaya vakasikwa dzakarodzwa. Chokwadi dai Nyadenga vagadzirisa nyaya pamwaka
unotevera.
17. Kushungurudzwa kwavanhu munyika kwakabva pai?
A.Pakushuzha B.Pakutonhorwa C Pakasanaya D. Panzara
18.Kufamba uchitenga zvekudya
A.kushuzha B. kupemha C.kukorokoza D.kuziva nhamo
19.Zvekudya kungoenda vachifamba zvinoreva kuti
A.vanoenda vasina kana chokudya B.zvinosvika zvapora C.hazvitenderwi kusvika nazvo
pachikoro D. vanokwira kombi nazvo
20. Chii chinoomesa tsoka neminwe?
A.chando B.nzara C.kufamba D.kusanaya
21.Munhu akanyanya kutonhorwa---
A.anofenda B.anokamhina C.anobvunda D.anoziya
22. Chii chicherwa chataurwa munyanya ?
A.mbadzu B.mbuva C.mvura D.goridhe
23.Munamato wavapo ndowei ?
A. Dai vana vabudirira nechikoro. B Dai mvura yanaya mwaka unouya.
C. Dai samhu dzarega kuomera vana. D. Dai vanhu vawana mabasa.
Pedzisa sokutaura kwedu
24.Vanonzi vane dzakarodzwa
A.vane njere B. havagoni C. vane nzara dzakapinza D. vane mapanga anopinza
25.Kana uchipinda nepane munhu ari kutsvaira unoti
A.”Makorokoto.” B “Pamusoroi.” C “Titsike usimbe.” D. “Pachi pamwe.”
Isa mazwi anotevera muushoma
26.Hukwe
A.kukwe B.nhokwe C.rukukwe D. chihukwe
27. Nyenye
A.runyanye B.kanyenye C.munyenye D nyenye
Verenga nyaya ugopindura mibvunzo
Stanley Primary School
Post Office Box 104
Gweru

28 Chikumi 2016

Wadiwa Tete

Mufaro uri kupfachuka kubva mandiri. Ndaiti zvandiri nherera ndianiwo ane basa neni.Ndaiti
kuiswa kuBhodhingi kuraswa. Kubva kuKariba kwese uko muchiuya kuzoona kamunhu kadiki
seni kudai.Kuuya kuzoona zvandinoburawo pano paStanley .Mudzidzisi neshamwari dzangu
vakakahadzika norudo rwakadai.Handizivi kuti ndokutendai seiko tete vangu. Dai Mwari
vandipawo moyo unenge wenyu.Makataridza kuti hamusi tete asi nyakutumbura,mai vangu
chaivo.Ndinovimba makafamba zvakanaka kusvika ikoko.
Ko makadini nemhuri yose? Ini ndiri kushanda zvokusakunyadzisai .Tozoonana pazororo
sokurongerana kwatakaita
Wenyu
Tomasi

28. Pava namakore mangani tsamba nyanyorwa ?


A. Maviri B.Hapana gore C.Rimwe D.Mashanu
29. Akanyorerwa tsamba anogara kupi ?
A.Gweru B Kariba C.Bhodhingi D.PaStanley
30.Chii chakashamisa vanhu ?
A. Rudo rwakataridzwa natete B. Rudo rwakataridzwa namai
C.Kugona kwaTomasi D Kukokwa kuzoro kwaTomasi
31.Tete vakauya kuzoona---
A.Stanley school B Panogara Tomasi C.kuti Gweru iri kure zvakadii D Basa raTomasi
32 Izwi rinoreva munhu akakuzvara ndi---
A.nyakutumbura B. tete C shamwari D mudzidzisi
33.Kushanda zvokusanyadzisa
A. kutamba nechikoro B.kushanda zvokuti unobudirira C.kungoti chero ndichienda kuchikoro
D kukunda vanhu vose
34.Chii chakarongerwa zororo?(
A.Tomasi achagara kuBhodhingi kusvika agona chikoro B.Tomasi achanoona mai vake
C Kuti Tomasi aende kuKariba D.Tomasi achasara achidzidziswa nomudzidzisi.
35.Manyorerwo etsamba anotaridza kuti
A.Tete vachasvora B.Tomasi haana kufara C.Tete vachafara D.Tomasi anodzidza achibva
kumba kwavo.
Sarudza chirevo chanyorwa zvakanaka
36. A “A ! Unopenga here iwe ?” vakadaro mai.
B. A unopenga here iwe , vakadaro mai.
C. A ! unopenga here iwe.vakadaro mai.
D “ A Unopenga here iwe ? vakadaro mai”
Zadzisa tsumo inotevera
37. Basa-----
A. ihama B kudzidza C kuziva D mangwanani
Dudzira tsumo inotevera
38.Akuti rima ati udye
A. Usavimba nechisiri chako B Munhu anokukurudzira kushanda anoda kuti ubudirire
C.Basa rinoda kuita nguva ichiripo. D. Unofanira kuteera pfungwa dzevamwe
39.--- makumi mana inopedza kupfirira imba
A. Masvinga B Ngoro C.Matatu D Mwanda
40.Mazuvano madomasi akati tekeshe .Tekeshe zvinoreva---
Akutsvuka B kukura C.kuwanda D kushomeka

You might also like