Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 625

[3/10, 12:35] pppppppppp: *THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by*

*LILIOSA CHIWARA* 💐💐
Aka *Lilies of the valley*

https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

Use the link above to join Liliosa Online Novels


*0712132297*

*app🪀or📞 call*

*CHAPTER 1* 🔥🔥

*Miara*

Hana yangu yakatanga kuriva kuita seichabuda


panze mushure mekunge ndaona kuti ma results edu
e A level abuda , ndakanga ndisina tarisiro yekuty
ndinogona kunge ndakapasa sezvo pau 3 hwedu
ndrini ndaiva nenjere shoma ,

Ndakaramba ndakamira mu passage ndakatarisa fon


yangu ndichidzokorodza kuverenga massage yaiva
yapinda mugrup rewhatsapp repakuchikoro kubva
kuna Headmaster kuti
*"Tinokuzivisai kuti maresults e A level ava pano
pachikoro makasunguka zvenyu kuuya kumatora
kutanga mangwana"*
zvichireva kuti chaitova chokwadi kuti akanga atova
pachikoro ma results ....

Ndini hangu
*Miara Ganda* ndine 19 years mumba medu
takazvarwa tiri ma triplets tisu tega mai Havana
kuzokwanisa kuzvara vamwe vana nekuty zvinonzi
pavakatizvara vakabva vazorwara nechibereko
kusvika pakuzonobviswa kuhospital hanzi chaiva
chakanganisika pavakatizvara ,

Baba vakazosiyawo mhamha tatova ma grade seven


ndipo pavakatanga kusadzoka kumba zvachose,
takazongonzwawo nemakuhwa kuti vakaroora umwe
mukadzi shungu yavo iri yekutsvaga mwana
mukomana asi hazvina kufamba sekudaro nekuty
vanotaura vanoti mukadzi iyeye wavakatora
sereplacement yaMhamha akatozvarawo vana ma
twins vasikana zvakare

Mai vedu vane shop/Botique yavo yekutengesa


hembe mutown ,
ndiwo chete mubato wemaoko unotiraramisa vanoita
zvekunohodha kunze kwenyika vachizotengesa
muBotique mavo ,
Kubva baba pavakasiyana namai havana
kumbobvira vaticheuka uye hama dzavo dzose
dzakabva dzatirasawo saka taingoraramawo se
family of 4 . ini nevamwe vangu then mhamha

Pamba taigara ipapo pastand patakasiiwa tiri naDady


vaiva vakatovaka full house muHarare munzvimbo
yeMabvuku

*Back to my Story*

" iiiii guys ma results abuda hu hu hu i can't wait


"ndakanzwa Kiara achi sreamer achibuda muroom
make ndikapotsa ndachema ini nekuty ndaiziva
zvangu kuti ndakafoira nekuty pa form 4 vamwe
vangu vaiva vakapasa nema 9 subjects then iniwo
ndakangobudawo ne5 asi atori MaC chaiwo neB 1
zvaitongoratidza kty ndezvekushingirira
Ndaiva ndatonzi handichaende A level ndibatsire
mhamha kushop kwavo asi ndakachema kusvika
vazonditi ndiende plus pa school fees apa
vaimbopota vachibatsirwa nehanzvadzi yavo Sekuru
baba Ella vaigara South Africa

"Kufarira kuenda kuVaar hre uku asikana"


ndakamudaro Kiara akati:

" Obvious xaa hamenoo zvako iwe ndiwe uchasara


uchishanda muBotique kkkkk"

Akataura achisvotesa zvake umwe wangu , vakazoti


vabatana naTiara vakatanga kutaura mashoko
ekundi svotesa ega ega

Tiara: " apa ndava kuto imaginer ndabva zvangu


kuVaar for holiday ndichiwana sister holy vari busy
busy mubotique kkkkk"

Vagara vese vaiva nekakundi sarudza kavaingoita so


vachindidaidza tumazita hanzi sister Holy nekuty
ndaiva ndisingade kuita zvevakomana saka ndizvo
zvavaindisekera
Plus chero paComplexition ivo vaiva vari mayellow
born INI ndaiva nechocolate skin asi pakunaka
vanhu vai commenter vaingoti ndini ndakakunda
vose zvekuty umwe musi Kiara akazosvika pakuti

"dai kunaka kuriko kugona chikoro dai Miara uriwe


unotikunda tose manje beautfull face haizode kudofo
"

Ndaivanyararira zvangu nekuti ndaisava munhu we


violence ndakangozvarwa ndakaita kakupusa
hamenoo vamwe vanoti zviri normal pamatriplets
hamuzongware mose

Mwamwe mazuva taienda tose kushop tonobatsirana


na
Mhamha asi kana musi watinenge time washen
tairega tose toita zvekuwacha hembe dzemunhu
wose saka musi uyu taiva neWashen ndosaka tose
taiva pamba

Mhamha vakangoti vachipinda mumba vanhu


vakutomhanya kuvaudza zvema Results vakabva
vati

" aah zvakanaka kana abuda saka 1 wenyu


anonomatora vamwe tomukira kushop kune basa
rakawanda mangwana "
"Obvious ndini ndonotora vamwe moenda henyu
kushop ummm ha zvagara inini hangu sikiri renyu
mhamha rekutiendesa kushop kwenyu harindiitire
hangu "

Akadaro Tiara achifinyamisa face yake zvake ,

Mhamha Havana kumudaira zvavo vakangoutarisa


sezvo vaiva munhu asingade zvemashoko kubva
kare tichikura taitoziya kty ukaona Mhamha
vavakutsiura munhu ibva waziya kuti unenge
waenderera most of the times vaingotarisa zvavo ,

Hapanawo akambopikisana naye nekuti ini ndaisava


mumood zvachose pfungwa dzangu dzaiva
dzongofunga nhamo yemberi , imagine ndikanzi
ndini ndasara ndichishanda kuBotique kwacho kuti
vamwe vana vaende kuchikoro plus no pay ndainzwa
musoro wangu uchitenderera chaiko.

Mhamha vakabuda vakaoneka vakunorara tikasara


tichipedzisawo kuona move yataiona ini
kwaingovawo kugara zvangu ndakawetsa maziso
kuTV asi pfungwa dzaiva parefu ,

" uri kufungeiko Miara kubva wanyarara kudaro


apa foni yako iri kuringer hausi kana kudavira "
ndakaita zvekuvhunduka nekuti Kiara wacho
aitoita kutaura achindizungunutsa

Ndakatarisa foni yangu ndikaona ari Gidza friend


yangu yekuchikoro aindifonera, ndikadavira zvangu
tikataura achibvunza sei ndisiri kubatika paApp
ndikamunyepera zvangu kuti ndaiva bizzy ndaitya
kumuudza kty ndine stress yemaresults nekuty
aizondiseka zvake akazobvunza kana ndaienda
kunotora maresults kuchikoro mangwana ndikati no
akati aizouya achindiona kuBotique kana abva kuno
collecter ma results ake ndikati boe akabva akata
anenge akazvionawo kuti unhu uyu haasi mumood
nekuti ndaingopindura zvaabvunza chete , asi
hazvisizvo zvandaisiita mazuva ose paaindifonera.

"And kana uchitaura naGidza unoita kusmailler wena


mukati zvichiri zveushamwari chete here izvi " ?
akadaro Tiara achida kundinzwa zvake
ndikaramba ndiri zii hangu vakatanga kusimbisana
kuti ini ndaiva ndakudanana naGidza ,
ndakangovasiya vakadaro ndaiva ndisina simba
rekuita nharo navo zvangu ndini ndaiziva chokwadi
kuti ini naGidza tingori mafriends chete

Takazorara tabvumirana kuti Tiara ndiye aizoenda


kunotora ma results edu tose pachikoro pacho paiva
padhuze zvapo paMabvuku High saka aitofamba
netsoka zvake akagoti zvekufamba ndizvo zvaiva
zvake mwana wamai vangu iita seane shavi chairo
plus zvimwe zvaainyanya kufambira inyaya yekuti
Aida kunoona mukomana wake Teacher Munjodzi
vaaidanana navo vaidzidzisa Commerce paChikoro
pedu, vaviri ava vakanga vapengesana kwemakore
maviri atakaita form 5 ne6 rudo rwaibvira kani
achitengerwa ma present nekuendeswa out kana ari
ma weekends

..................

*Stay tuned*

*End of chapter 1*

*Chapter 2 loading*

*Please comment and share*

*Lily loves you all*


❤🥰🥰

*New Book*
[3/10, 12:35] pppppppppp: *THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by*

*LILIOSA CHIWARA*

💐💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
AKA *Lilies of the valley*
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
Use this link to join LILIOSA online Novels

0712132297

*App 🥏🪀or cal📞📞*

*CHAPTER 3/ Three* 🔥🔥

*Tiara*

Ndakamuka ndikada kusimudza musoro ndikanzwa


uchiita kurema kwabva ndaudzosera papillow
ndichitryer kuremember kuti what had happened to
me, and I can't remember ndaingorangarira kuti
ndakano Collecter maresults MuOffice
maHeadmaster ndakabatwa nemufaro mukuru
kuona ndirini ndaiva ndakakunda vamwe vangu
vose anga akamira sekudai
*results*

*Tiara * 13 points

*Kiara* 10 Ponts

*Miara* 7points

Ndakaita senge ndiri kutadza kuona kwabva


ndadzokorora kutarisa Maresults angu futi ndikaona
aiwa ndizvozvo , ndaida kuratidzawo Maresults angu
mukomana wangu Dee anova Teacher anodzidzisa
macommercials pachikoro pedu kwabva ndatryer
number dzake yaingoringer isina anodeera kusvika
ndasiyana nazvo pamwe aiva mulesson hake,
zvakandibhowa makeup yese nekadress kamini
kandaiva nako ndaiva ndazvipfekera iye kuti
azondiona ...

Ndaida kutomhanya kuShop straight ndisati


ndambosvika kana kumba nekuti ndaiziva kuti
kumba hakuna mushu, but pakazotanga kutaurwa
nyaya dzekuenda kumafaro ndakaona uriwo mukana
wekuno celebrater kupasa kwandaiva ndaita kwabva
ndatobvumira padenga kukwira mota yaGidza
takananga kuSteven Magollis ,

It was my first time kasvika paMagollis svezvo isu


kumba kwedu taisanyanya kuita zvemafaro izvi ,
Zvino mafaro akati atangidza Radio ichidandaura
vanwe vachitamba zvavo , ini ndaisazvigona saka
ndaiva zvangu ndakagara pachair ndichimwa drink
rangu vamwe vaimwa havo doro then ndipo pakauya
umwe mukomana ataidzidza naye ainzi Pardon
akunditi "chimboti Sip kaa nhai Kiara "
ndikatomupindura rough

"Handisini Kiara and handimwe doro thanks for


your offer"

"Ah sorry makanyanya kufanana mhani saka iwe


ndiwe Tiara here? Ah beer rinonaka wangu
chingorova masip mashoma shoma umbotester , "

Akandinyengerera Pardon uya kusvika ndabvuma


kutester haaa mukutester muya ndimo mukumwa 1
sip , 2 masip, 3 masip zvingoramba
zvichienda and ndakabva ndatanga kumwa
rakatanga richishata sezvo yaiva iri first time yangu
but rakazoguma rakunaka kuti nditi ndichiri
nezvimwe zvandichiri kuziya zvakaitika day iri
ndenge ndichinyepa chero kuti nditi kumba
ndakazouya how handiziye,

Ndiri mushishi yekutryer kuremember kty chiri


chaicho chakazoitika kwandri kudaro ndakanzwa
door rangu kuti gwerere-ee kuratidza kuty ravhurwa,
ndakabva ndazvishingisa kusimudza musoro chero
wairwadza zvawo kwakuona Mhamha vachipinda
vakabata bhande uku vakatevedzana naKiara ,
naTiara

Face yamhamha yega yaingondiudza kuti hapana


chakanaka pano ndakakurumidza kumuka ndikambo
ignore pain yemusoro ndikapfugama Pasi uku
misodzi yakanjenga mumaziso

"Mhamha I'm sorry please"

"Hoo uri kutoziya hako nyaya dzako ndoda kuti


undiudze kuti waindituka kuti hure ndakahura nani
hee ?, taura ! uri kutoramba wakanditarisa hako ", ?

hana yangu yakatanga kurova ndaiva ndisati


ndamboona mhamha vakatsamwa kudai kuita
kupfeka face yembada, musodzi wakatanga kuti
mokoto mokoto nematama ndikabva ndarereka
musoro

"Please mhamha I was drunk sorii nezvese


zvandakaita nezuro "

Mhamha:"wakatanga riini kumwa doro iwe"


Me:"nezuro"
ndakapindura uku ndichifemera padenga kuri kutya
kungodirwa belt ravaiva vakabata uku
vachibvundisa muviri wese nehasha

Pavakasimudza Belt vachida kundidira Miara akabva


apfugama pamberi pavo achitochemawo

Her:"Mommy please I beg you muregereiwo


musamurove mhamha mukamurova munenge
matorova tose "

Aiva nemoyo wakanaka Miara akademba kuti


ndisarohwa and for sure Mhamha vakabva vadzikisa
belt pasi vakati

"Waita lucky , ndipe maresults acho tione"

Ndakavatambidza masleep ose ari three


vakanditarisa vakadzungudza musoro

"Dai wanga uriwe wafoira ndaikurovesa, Anyway


Miara mwanangu ndiwe uchasara tichishanda
kuBotique kuti vamwe vako vaone kuenderera mberi
nechikoro , ivo vachazoshandawo vacgikubhadharira
kuti uendewo Ku University hanty "

Haana chaakataura Miara akangobuda muroom


mangu akanyarara ndakasara ndikasekera mumoyo
ndichiti agonekwa ....

*End of chapter 3*

*Chapter 4 loading*

*Keep commenting and share*

*Lily loves you all*


🥰💗❤
[3/10, 12:35] pppppppppp: *THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by*
*LILIOSA CHIWARA*

💐💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
AKA *Lilies of the valley*

https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
Use this link to join LILIOSA online Novels

0712132297

*App 🥏🪀or cal📞📞*

*CHAPTER 2/ TWO* 🔥🔥

*Miara*

Takamuka tikagadzirira kuenda Boutique ini


ndaingova low zvekuti mhamha vakazviona
vakasvika pakuti

" ko Miara nhasi kwakanaka here wakangonyarara


kudai mwanangu "

Me: agh hapana mhamha ndiri kungoti musoro


wangu ndiwo uri kungotema chete"

Ndakavanyepera zvangu ndaisada kuti vave worried


nenkuti ndaitoziya kuti mari yacho yekuti tiende Ku
University

" zvino kana musoro uchirwadza wadii kusara hako


kumba nhaiwe ,plus umwe mapain easy"

"Oky Mommy"

Kiara aiva akanyarara zvake achrongedza dzimwe


hembe dzaiva dzauya paNew Stock yakanga yabva
usvika paNew Stock yaMhamha, akazoerekana ati
" vana Miara hadzisi nungo hre idzi izvozvi pamwe
uri kunyepera kurwara zvako kusada kunoshanda ,
manje uchangosara uhizviita izvi vamwe tiri paUZ
apo kkkkkk "

akabva atanga kuseka zvakandisvota ndaida


kumupindura rough ndikazonyara maCustomer aiva
azara mushop kwabva ndanyarara zvangu

Takaswera zuva rose kushop tichishanda and musi


wacho kwaiva Nevada rakawanda takaswera tiri
busy nekuty taiti tikaita zvekurongedza tombosiya
toita zvekusaver maCustomer

Kwatova kuma4:30 ndipo patakawanawo mukana


wekuzorora zvikanzi naKiara

"Ummmm Tiara anobhowa mhamha dai makati ini


ndiende zvangu ipapa haasati adzoka vamwe
takamirira maresults edu iye ari kungoita hake
zvekutamba kuchikoro ikoko nxiii "

"Haa anonoka shuwa handifunge kuti achatotevera


kuno kushop kana zvichibvira ngaachibva agarira
kumba ikoko tiwane abikawo nekuti ini ndaneta
ndoda kusvika ndichizorora , rega ndizame
kumufonera "
Vakadaro mhamha vachitora fon yavo muka
handbag kavo vakafona fon yaTiara yairinger isina
aidavira kusvika vangosiyanawo nazvo vakange
vatova worried hanzi "zvino kuti aoneiko mwana
wangu "

Ini ndaiziva zvangu kuti hapana chimwe chiri


kuitwa kusara kwekurezvana nekaTeacher ikako
kaaidanana nako

Takasvika pakuenda kumba mhamha vachingoti


vakagara gara votryer number dzaTiara fon
yacho yakanga isapinde kuratidza kuti yaiva
yazodzima

And patakasvika pamba takanyatsa kuwanawo


pasina kana munhu kwaiva kwasviba takatoona
malights akadzima ,

"Zvino kuti aonei Mwana wangu nhai mwari"

Ndimhamha vaitotaura vachiratidza kty vari worried


zvavo
Hapana akavadavira munhu wese anga atova
confused ,

Takangopinda Mumbai tikagara hapana akabika


zvaiva zvoti kuneta nebasa plus bp yekuti Tiara
ashaikwa ,

Hapana aitaura neumwe taingoona TV takanyarara


waiva kwava kuma 8:30 ndipo pakaringer fon yangu
ndikaona ari Gidza friend yangu , ndaiva
ndamutsawira aiva andinyepera kuty achauya
kuzondiona , saka ndaka ignore pekutanga , ikabva
yaringer futy ndikanzi naKiara

" Nhaiwe uri kutiitira noise nefon yako kana usingade


kudavira unodii kuisa pasilent hako"

Handina kumupindura ndakabva ndadeera , and


Gidza haana kana kundipa mukana wekutaura
akangotañga nekuti

"Vhura gate ndauya naTiara akadhakwa uyu "

Fon yangu yaiava paloud zvekuti munhu wese


akazvinzwa , ndakatarisa mhamha ndikaona
vachidzungudza musoro wavo
Takabva tadungidzana tese kunovhura gate kwabva
Gidza apinza mota mukati uyuwo Tiara aivamo
achingowodzvoka kutaura zvinyadzi , paakavhurirwa
door kuti abude akabva adonha nemuromo mhamha
vakamhanya kumubata akatanga kuvatukirira zvake

Gidza akateverawo mumba nekuti takazopinda


takaita wekubatirana apa kadress kacho kaiva
kakapfekwa kaiva kakasiya zvidya panze uku
achingoshadabuka zvake

"Chii chaitika Gidza" vakabvunza mhamha


vachionekwa kutsamwa mushure mekunge tasiya
tavharira Tiara muroom make

"Zvaitika nhasi kuchikoro kwanga kwakazara vanhu


vanga vachi collecter maresults avo saka tazobatana
tiaenda kuparty kuMagollis, manje Tiara ndatomuti
handei kumba masikati chaiwo akaramba zvino
anga azodhakwa dzimwe boys dzatanga taenda
nadzo dzikatanga kumu kanya kanya ndipo
pandazomutora ndikamuisa mumota ndikauya naye"

Mhamha havana zvavakataura vakangosimuka


vakanyarara vakapinda mubedroom mavo uyu Gidza
akaonekawo akaenda , hapana akazomboita shungu
yekubvunza zvemaresults munhu wese aiva
apererwa nehunhu hwaTiara
*End of chapter 2*

*Chapter 3 loading*

*Keep commenting and share*

*Lily loves you all*


🥰💗❤
[3/10, 12:35] pppppppppp: *THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*
*Written by*

*LILIOSA CHIWARA*

💐💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
AKA *Lilies of the valley*

https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
Use this link to join LILIOSA online Novels

0712132297

*App 🥏🪀or cal📞📞*

*CHAPTER 4/ Four* 🔥🔥

*Miara*
I can't believe my self ndichinzwa Mhamha
vachitaura kuti ndini ndaizosara ndichibatsirana
navo kuBotique kwavo , chero zvikanzi ndini ndaiva
ndine mapoints mashoma hangu asi ka ndaifunga
kuti vachati iye Tiara asare hake iri punishment
yemusikanzwa wake waaiva aita , ndakaona zvaiva
zvaitwa namhamha zvisiri fair zvachose

Ndakabuda muroom maTiara ndichifambisa


ndakananga kuroom kwangu
ndikasvika ndichidarikira kupinda mubathroom
kwabva ndavhura shower ndakamira dzinenge 30
minutes ndichingodirwa mvura chete ndipo
pandakazonzwa kuti yah ndava nani manje nekuti
ndaiva ndanzwa kutsva

"7points zvunganzi ndafoira here inga wani I tried"


Ndini zvangu ndaitaura ndega uku ndiri busy
kusvina hembe dzangu dzaiva dzatota nekuti ndaiva
ndangozvivhurira mvura ndakapfeka hembe ,
ndakazozvipukuta nedrying towel ndikabuda
mubathroom kwabva ndanoyanika hembe dzangu
dzaiva dzatota panze, ndava kudzoka ndakasangana
naKiara mudining zvikanzi naye

"Watsamwaa hre"?
Ndakamu ignore ndikaramba ndichifamba zvikanzi
naye

"Hanzi namhamha nhasi ndiwe uri kuenda kushop


ivo havasi kunzwa zvakanaka , isu tichasara tichiita
zvekutsvaga nzvimbo nekuenda kwaObey kunotora
Malaptop aye "

Ndakaramba ndakanyarara futi ndikangonanga

kare here🤣
kuroom kwangu kunochinja hanty ndaiva ndatogeza
ndakabva ndatobuda ndakananga
kumaComby mhamha vaiva nemutemo wekuti mota
yavo haibatwe nemunhu chero vasipo, kudriver
vaiva vakatidzidzisa zvavo but but mota yavo
vainyima zvekuti nofunga vaitya kuti tinoita
maAccidents

Ndakasvika kubasa ndikashanda though zvaisava


easy kuti uku uri kurongedza hembe uku
macustomer ari kuda kutenga, ndakazviudza kty
ndofanira kutodzidzira nekuti ndihwo hupenyu
hwandaizorarama pamazuva ari kutevera ayo kana
vamwe vangu vachinge vaenda kuUniversity

Lunch yakakwana zvayo ndaiva ndakunzwa nzara


sezvo ndaiva ndabva kumba pasina kana ndadya and
breaktime ndaiva ndisina kumbowana mukana
maCustomer aiva akawanda
Ndichitofunga hangu kuty ndodyeiko for lunch ndipo
pandakaona Mota yaGidza ichi parker pamberi
peshop yedu ndikaramba ndakagara zvangu kna
simba chairo rekumumhanyira ndakarishaya ini
muviri wangu wese waingova weak so hamenoo
kuda ndiyo yamunoti stress yacho here yaiva
yakandibata ipapo

"Haa bestie hamuchandide amana kundi ignore here


uku "

Me: "ko ndakuignore pai "

Gidza: "ko handichamhanyirwe nei mazuvano "

Me: " hanty wakandinyepera kuti uchauya kunoku


nezuro iwe kwakurega hako kwakutoenda kumafaro
zvako "

"Oooh Kkkkk really ndizvo zvaungatsamwira hre


izvozvo , chitotenda mwari kuti ndakatoenda ikoko
otherwise Tiara wenyu aiitwa party nana Pardon
"

Me: kuitwa party ndiko kuitwa sei ?"


Gidza:"haa usaite seusisiri kunzwa zvandiri kutryer
zvandiri kukuudza iwe, horait ndiri kuty mumwe
wako aikanywa kanywa Nana Pardon ndivo
vakatomupa doro zvekuti dai ndaisavapo vaigona
kuguma varara naye nekuty iye wacho aiva adhakwa
akungoshadabura makumbo inini chaiye mumota
akauya achinditi misa mota undikwir* but
ndaingoseka zvangu dai ndaiva munhu ari rude
ndaikashwadura but the fact yekuti I see you as my
sister ndiyo yakaita kty ndimubatsire "

Ndakaramba ndaka panica ndichishaya kuty ndotiiko


, ndakaoma mate mukamwa ini , chero zvikanzi
munhu wakadhakwa ungasvika here pakuti
kumunhu wemurume misa mota tirare tose ummmm
ndakasvora hunhu hwaTiara ini

"Ko wanyararirei , wakapasa hre my Choco"

Akadaro Gidza aona lava nenguva yakakura pasina


zvandati ndataura ndikati

"Iwe Bhangu ndakakuudza kare kuti handizvide


zvako zvekunditi my Choco aah"

Akatanga zvake kuseka achibudisa chisleep chake


chemaresults Gidza aigona manje I couldn't believe
my self ndichiona ane 15 points eyy ndakafara ndipo
pandakazosimuka ndikamu huger tightly ndisingade
kubva paari ndiye akazoita zvekundibvisa zvikanzi
naye

"Eeeh eeeh zvakwana zvawandi huger woda


kutopedzera nyota pandiri kaah ndakakuudza kuti
tsvaga mufecy iwe haude, chindiudzawo kuty une 7
points ndifare "

Akataura achiseka zvake ndikabva ndaziya kuti


mabasa aTiara iwaya ekufamba achiudza vanhu
maPoints angu

"Saka chii chinosekesa ipapo hanty ndakatozama


ndaitofunga kuti ndichauya ndine 5 ini ,
zveBoyfriend izvo siyana neni ndakakuudza
zvandinoregerera kuita boyfriend kudhara"
ndakamupindura

Akati "ah 7 wakagona ko Sheaila akandinyadzisa


munhu kuuya ne 2points zvake , ah ndoda
kutomuramba handidanane nedofo INI" akataura
achifinyamisa face zvakandipa kuti ndiseke zvangu ,
Gidza aiita kuti ndifare nguva dzangu zhinji chero
kuchikoro chaiko ndaitoti kna asipo ndaigara ndri zii
asi kna aripo kudai ndainzwa kusununguka , aiva
asingadade zvake though aibva kuFamily ine mari ,
iye aitova nemota 2 dzese dzaaita kuchinjanisa
kufamba nadzo asi aisambozviratidza chero akasvika
pane vanhu aingoita sewelevel repasi . Taiva
tangotanga kuwirirana sekutamba nenyaya yake
yekutaurisa aindidenha achiti "hesi Chocolate
"achiwanzira skin yangu , ndipo pakabva usahwira
hwedu ipapo and musikana wake iyeye ainzi Sheala
akatondimaker achifungira kuti ndri kudanana
nemukomana wake kusvika azotozvijaira kuty
hapana iripo

"But mai 3 vati havana mari yekundiendesa kuVar


gaya nekushingirira kwangu kwese "
ndakataura ndatotsvukisa maziso ndainzwa kuda
kutochema chako

"Hee watii? Apa ndiyo nyaya yandatonyanya


kufambira ndichiti tiplane kty toenda kuUniversity
ipi ini ndanga ndichida hangu paMSU
ndimbononzwa love yeMandebele ,UZ ndakaimakira
mahur* pawanda nyaya dzeMjolo "

"Handina kwandri kuenda INI ndini ndiri kutosara


ndichishanda munomu kuti vamwe vaone kudzidza
zvavo "ndakataura ndichinzwa kubaiwa

"Ummm aya ma1 chaiwo apa ndaiva ndatokutengera


laptop yeApple yawaida iye ndaida kuzokuita
surprise manje zvaendwa "

Akaratidza kubatikana Gidza pakabva pasvika


customer kwabva ndamboi saver zvangu Uyu Gidza
achindibatsirawo kurongedza dzimwe hembe dzaiva
dzasiiwa dzabvanyangurwa nemaCustomer,

"Wati wakanditengera laptop yeApple/iPhone iii


wakaita basa xaa " ndakamutenda hangu chero
ndaiva ndisina kna zano rekuti ndichaishandisei

"Ndoziya zvinoda my Choco kaa ini" akapindura hake


achida kuty ndiseke but moyo wangu waiva
watowedzera kuremerwa

"Usacheme ndakakuudza kty I hate tears wani ,


ndichataura naMudhara hanty vanokuziya kuti
ndiwe sahwira at heart saka ndombovaudzawo nyaya
yako pamwe vanobvuma kukubhadharira hanty"

Hiii ndakamutenda Gidza akazomhanya kunotenga


food tikadya tichibatsirana kushanda kuma 7
tikavhara shop akanondi dropper kwedu kuMabvuku
kwabva azodriver akananga kwavo kuBrooke .

*End of chapter 4*

*Chapter 5 loading*
*Keep commenting and share*

*Lily loves you all*


🥰💗❤
[3/10, 12:35] pppppppppp: *THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*

*Written by*

*LILIOSA CHIWARA*
A.k.a *Lilies of the Valley*
*Join my whatsapp group please*
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*0712132297*
*0789906234*
*app🪀 or📞 call*

*CHAPTER 5,Five* 🔥🔥

*Gidza*

Pandakadropper Choco kumba kwavo ndakarova


mota ndakananga kwedu kuBorrowdale Brooke,
Ndakasvika paden ndikavhura gedhi neremote yangu
yandaifamba nayo ,ndaparker mota yangu
mugarrage ndichibva ndafambisa kuti ndipinde
mumba because panze pacho paiva nekachando
ndichri paVerranda ndakawana ndamirirwa padoor
nesecurity chaiyo

" eeeh wobvako kunoona mahur* ako zvee"


NdiNatasha kalittle sister kangu kanonditevera
kaitaura kakamira padoor uku kakandivharira
zvekuti ndisatopinda mumba macho

"Tanga wabva padoor tigotaura ndiri kurumwa


neMosquito panze panapa and pari kutonhora fty"

"Dai wanga uchiziya kuty kune chando nemosquito


dai wadzoka kumba nenguva"

Akabva amover aside ndikapinda ndichifambisa


ndaida kutonanga upstairs kuroom kwangu ndaisada
zvekubvunzwa zvisina basa naye

"Kubva zvakabuda Mommy naDad kuenda


kubussiness trip kahunhu kako kekungofamba
handisi kukafarira ini and nguva dzako dzekupinda
mumba hadzidiwe pano naMhamha"

akadaro uku akaita kumira mberi kwangu akabata


muchiuno kuita kunge ndiye atova sisi kwandri ,
munhu wacho zvekutaura ndizvo zvaiva zvake manje
aiva Chihera akakwana ,manje nhasi aiva airasa
ndaitova nestress yaSahwira wangu aiva anzi haasi
kuenda kuVar , ndaida kukapindura anoenderana
nako

"Ehe hausi kukafarira saka wanga watii"?


"Dzidza kugara pamba evrytime ndri kudzoka Kubva
kuchikoro usipo pano " kakadaro kachindibaya
pahuma chaipo

"Eeeh eeeh siyana neni Natty haundiraire hausi tete


vangu iwe "ndizvo zvandakamupindura zvikanzi
naye

"Nxii haufunge zidzoro rakazara mvura ndosaka


uchigara uchikwaturwa nasisi Nelly uri......."
ndakamu cutter asati apedza kutaura ndikati

"Manje ini ndokurova usandijairire handisi


mukomana wako kutsvuka kwaro", ndakamudaro
ndichimusandidzira kwabva anowira pa Couch
Akabva ati

"Pfutseke chimbondirova uone kna newe


wakangotsvuka wani zvino kutsvuka kunoda munhu
anogeza weee"

takashaudhana kusvika Auntie vaishanda pamba


vazvinzwa vakabva vachimhanya kuCottage
kwavairara kuuya kuzotibata and ndizvo zvataigara
tichiita kana vana Mhamha naDad vasipo , vamwe
vaiti inyaya yeutevedzani nekuty dzimwe nguva
taiwirirana zvekutoudzana masecrets asi ukanzwa
tichishaudhana unoti hatina chero ukama
"Chiiko vanhu imi munotinyaudza izvozvi
munotitadzisa kurara nhaimi ,asi auya adhakwa futi
nhasi here "

NdiAauntie vaitaura vachipinda mulounge mataiitira


madrama edu ndikati "Maswera sei auntie, handina
kumbodhakwa ini but ndiyeyu Natty ari kundidenha
"

Auntie ndaiva respecter ndaitovapa value yaAmai


nekuti ndivo vakakura vachitirera Mhamha
vaisagara pamba mostly vaiita zvekubuda out nebasa
, taiva neimwe Company miSouth Africa inoita
zvekugadzira stationary ska ndivo vaiwanza kui
Manager

"Haa haa nyarara uko unodenhwa uri nyuchi hre iwe


, newewo Natty ndakakuudza kuty learn to respect
your brother uchakwaturwa chete umwe musi
chiendai munorara tione iwe Gidza huya ulocke door
handidi kunzwazve noise munomu" vakadaro Auntie
vachirätidza kushatirwa

"Utende auntie vauya kuzokununura ava nhasi


ndairiputitsa dzoro rakazara masese iroro nxii,
wakapusa sterek"

kakadaro Natty kachimhanya upstairs ndikaramba


zvangu ndakanyarara aisada kukundwa pahondo
yemashoko aitoti ahwine chete chero achitaura
naMhamha aitoomesa tsinga dzekumusoro
nedzekuzasi achikaka nharo chete kusvika
vazosiyana naye hamenoo kuda ndihwo huchihera
hwacho hre hwaimufurira

Zita rangu ndinonzi *Gilliady Nhongo* vanondiziya


vanonditi Gidza ,20 years dzekuberekwa , light in
complexion, but handina hangu kuzonyanya
kutsvuka saChihera, Takazvarwa tiri 3 kumba kwedu
my Elder sister Nellia ,kouya inini kozopedzisira
kamupengu kanonzi Natasha aka,

Isu mhuri yedu yose yakaropafadzwa naMwari


neupfumi , Mari iye inonzi yekuwanda ndiyo
yatinayo asi takangokurawo tichidzidziswa kuti
"always humble yourself"
ndosaka ndiri munhu asingadade kana kuvhaira
nezvinhu zvekumba kwedu , uye takakura
tichidzidziswa kunamata Church tinopinda *Zaoga*
saka Every Sunday kuchurch munhu wese . Natasha
aidzidza kuHerentials aienda naDriver vonomu
droper then vonomutora futi kuma4 , ndipo
pandakadzidzawo form 1-4 then A level
ndakasarudza kuenda kuMabvuku ndichitevera
Collen friend yangu aiva atsvagirwa tsvimbo ikoko ,
mhamha vakambotanga vachiramba sezvo vari
munhu asingade nonsense but Daddie
vakandinzwisisa vakasvika pakundisiya
ndichinodzidza pachikoro chekughetto,
Njere dzekugona chikoro ndaiva nadzo chose Mwari
ndinongovatenda nekuti tose vana vekumba kwedu
hapana aiva dofo ,
Nelly ari kuSouth Africa kwaari kupedzisa degree
rake reMedicine , uyuwo Natty ari form 3 anongouya
nema A chete saka zvekugona zvaitova zvemhuri

*Back to my story*

Ndakalocker door rangu ndikakwidza masteps


ndakananga kubedroom kwangu ndikadarika
nepadoor raNatty ndikanzwa achitaura pafon
kwabva ndanyangira kusvika ndaisa nzeve yangu
padoor chaipo ndaifunga kuti zvaariye wedzungu
kuda afonera mhamha achivaudza zvabva kuitika
manje ndakanzwa achiti "Ah iwe siyana neni
ukaramba uchindinetsa ndichazovaudza mukoma
vangu you know him vanokurova "

...... handina kunzwa zvakapindura umwe wacho


waaitaura naye ndikazonzwa akuti

"Horait kwacho ndichambofunga ndipewo 1 week"

Ndakafambisa ndichibva padoor pacho ndikasvika


muroom mangu ndine mibvunzo hobho yaiva isina
mhinduro, ndakangosiyanawo nazvo ndobva
ndatorawo fon yangu kwakuona pane maMissed calls
from Sheaila my girlfriend , neimwe from Choco
ndikabva ndatomufonera ipapo ipapo

📞📞📞📞 ngiriiiii ngiriii

📞 eee helloe
📞hes kani Choco wasara bol hre

📞 ehe ndasara bol ndambofona ndichida kunzwa


kuti bestie mafamba bol hre manje hauna kudeera

📞 sorry kani bestie at heart❤ , 4n yangu yanga iri


pasilent , ndafamba bol ini ndatokusuwa Choco

📞 yu know I hate that Choco name pliz my name is


Miara

📞 ah wangu ndisiye ndikudaidze nezita randajaira ,


iniwo I hate that Miara thing

📞
📞saka gudhu naiti ndaiva nehope
📞sleep well bestie at ....
Dudududududu
Yakakatwa ndisati ndapedza kutaura ndaizviziya
hangu kuti haazvide zvandaimuita zvekumudeedza
netuma sweetie names zvaimubhowa but ini ndizvo
zvandaiva ndakajairawo

Ndisati ndarara ndakavhurawo whatsapp yangu


ndikafara ndichiona mhamha vaisa massage kuti
vaiuya mangwana and vaitoda ndinovatambira
kuAirport

Ndakaenda pachart raCollen my best friend


ndikatoona aisa msg achibvunza kty ndaswerepi
nhasi handina kumbobätika areas rake iye aigara
kuMasasa saka ndaitowanza kuita wekufmbira sezvo
aiva asina mota kuti iye auye kumba kwedu aitoita
zvema compy chaizvo aitova online ndikamupindura
kuty

🪀 nhasi ndaswera mutown naChoco kuBotique


kwavo xaa,
Akabva atoti typing ipapo ipapo ndikabva ndatoziya
kuty nyaya dzakutotsva zvino
🪀 ummmm tsano muchatidyira Mwana
imimuchingonyepa kuti bestie bestie

🪀 haa wangu unondiona sewe hre unodya Melissa


imi muchiitana mabestie , ini handidaro

🪀hoo saka akazoti chii nenyaya yangu Miara

🪀mubvunze wega number dzake unadzo

🪀anondi bkueticker uyo


Ndakabva ndaseka zvangu Collen friend yangu aida
Miara wacho inon-starter kubva zvandakatanga
kuramba naye handina mukomana wake
wandaimboziya I'm sure kuti atova asina nekuti fon
yake ndaimboswera nayo ndichivhura vhura kwese
ndaingoona machats evakomana vaimupfimba iye
achingoramba chete vamwe aito blocker chaiko

Ndakazopedza kutaura nabhururu wangu kwabva


ndaisa 4n yangu pacharger ndikapfugama
ndikanamata uyo waiva mutemo every day ndairara
ndanamata
Makusen ndakamuka ndichigadzirira kunotambira
vana Mom's naMudhara kuAirport , Ndakanovatora
kuma8 tikasvika pamba , ndisingade kutambisa
nguva ndakabva ndangovaudza nyaya yangu
ndakazvininipisa semwana akarairwa

"Ehe nyaya yako yakanaka ndainzwa and


ndinomuziva Choco mwana ane hunhu chose
ndakamuona musi wataita birthday party rako pano ,
asi Nyaya iripo mari mazuvano handina yakawanda
project yatiri kuita kuSouth iri kubudisa mari zvekuti
asi zvandingakwanisa kumubhadharira maOnline
Lectures odzidza ari kumba hake nekuti yekuti agare
paCompas handingamboigone mwanangu "
Vakadaro Dad ndikanyemwerera ndichisimuka
ndichinovapa hug

"thanks Dad masungungura moyo wangu"

Mhamha vaingova zii handina kuona kufara kwavo


nenyaya iyi ndakangosiyana navo kwabva
ndamhanya upstairs ndichisvika nekutonofonera
Chocolate....

*Stay tuned*

*End of chapter5*
*Chapter 6 loading*
*Lily loves you all ❤🥰*
[3/10, 12:35] pppppppppp: *THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*

*Written by*

*LILIOSA CHIWARA*
A.k.a *Lilies of the Valley*

*Join my whatsapp group please*


https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*0712132297*
*0789906234*
*app🪀 or📞 call*

*CHAPTER 6 Six* 🔥🔥

*Miara*
Ndakasiiwa pagedhe naGidza ndikanocker Kiara
akauya kuzondivhurira paiva nekadima munhu
kutobatidza 4n yake kundi lighter kuface hanzi "asi
uchiri wakatsamwa kani"

Ndakamunzwira hasha dzisingaite ndikaramba


ndakanyara ndichifambisa kupida mudining
ndikawana Mhamha vakagara pasofa vachimwa
coffie yavo uyu Tiara ari pafon , Ndakangoswedza
Mhamha kwabva ndatofamba ndichienda kuroom
kwangu nekutozvi lockera hangu ,

Ndakati regai ndifonere asahwira ndinzwe kuti


vasvika bol here iyo yakungoringer isina anodeera

Akazofona hake tikataura then ndichingo cutter


ndakanzwa
go..go..go..go, door rangu kunokwa ndikano kiinura
kwakuona ari Tiara zvikanzi naye

"Hanzi huya udye"

Me: "Handisi kuda sadza "


Asi nzara ndaiva nayo chose asi ndaisada kutarisana
nevanhu vepamba pedu ndainzwa kunge
vanondisarudza chero naivo mhamha ndaitoona
vajoina chikwata chevana vavo

"Hauti hausikuda sadza zvee nhaiwe unoda kuti


mhamha vafe nebp here iwe unoramwa sadza unoda
kuti Mhamha vaite sei uchiona status yavari iyoyo"
Akataura achida kundibata zvechisimba kuti ndibude
muroom mangu ndikati

"Please don't touch me Tiara kana ndakaguta unoda


kuti ndiriise pai sadza racho , siyana neni Bp
yamhamha yakwira nekuda kwemabororo ako
awakaita nezuro, ibva padoor pangu ndoda kurara "
Ndakataura zvinyoro nyoro ndichi avoider kuti
mhamha naKiara vasanzwe noise , akaramba
akamira padoor ndikambofunga kumupushira kure
ndikaona kuti nehasha dzandainzwa ndaigona
kumukuvadza
"Unotombofungawo here iwe unofana kunzwisisa
kuti ndiwe dofo pano and chitozvigamuchira kuti
kuUniversity hausi kuzoenda uchafa uri rombe "
akataura mashoko ekusvotesa ndikati musi uyu
ndaitonzwawo kuvaviwa nekuda kutaura akanga
ajaira kuti vakandituka ndinonyàrara

"At least ndinenge ndiri rombe rinoziya value yaro


kwete iwe unofamba uchishadaburira Zimbabwe
yose , munhu wepi anofamba achikumbira varume
bonde "
Ndakamupindura akaramba akavhura muromo
semukova wetemberi

"Nxoo unoti virginity ichakoshei mukore watava


kurarama uno , chienda unotengesa ka humhandara
hwacho upiwe mari yekuendesa kuUniversity"

"I know my value endai kuUniversity imi makapasa


ini neuviginity hwangu tosara kuBotique kwamai 3,
wainyepera kudhakwa iwe nezuro dzri maths
dzekuda kungorara naGidza chete manje wakadzva "

"Unoziya sei kana asina kurara neni Gidza wacho kuti


waivapo here, chero ndikarara naye zvinei newe kuti
munhu wako here ndoda kutomuzvarira matwins
usvotwe "

Aiva nefreedom of speech Tiara aingoti chero


zvabuda mukanwa ongobvotomoka asati afunga
ndakangovhara door rangu ndisina
chandamupindura ndikanozvambarara pabed pangu
fon yangu kwabva yatanga kuringer kwakuona ari
Collen friend yaGidza aiva nesystem yekundinetsa
achiti anondida manje nhasi aiva airasa
ndakangokata kwabva ndatomublocker ipapo ipapo
,ndaiva ndaneta naye

Ndakarara ndisina kudya ndikamutswa nenzara


kuma 12 ichiita kukwenga mudumbu
ndikangoshingirira kurara
makuseni ndikamukira kudziisa chimunya changu
ndikadya kwabva ndaita mabasa ose epamba vanhu
vose vachiri vakarara , mhamha ndivo vakazomuka
ndatova ready kuenda kubasa zvangu zvikanzi

"ko vamwe vako havasati vamuka nazvino here


vanhu vandakanyatsa kutaurira kuti nhasi ndivo
vachaenda kuShop iwe ndoda undi drive kuenda
kunoona Doctor Nakai nekuti nyama dzangu handisi
kudzinzwa zvakanaka "

Vakanomutswa naivo mhamha ndikaona vachiuya


mudining vachimhanya vasikana zvikanzi naKiara

"Ummm mhamha hamusi mava kuzvinyanya hre We


need time to rest remember very soon tinenge tava
kuVar ka Isuzu, mambodii kuti inini ndiende nemi
kuhospital kwacho since tose tichigona kudriver"
"Nyarara uko kuVaar kuVaar kuita sei unogona
kutadza kukuenda wani matsvuko iwayo, Kana uri
sewe driving yako handiifarire zvachose wakapotsa
watikutura last Sunday tichibva kuchurch
wachemera kudriver seizvozvi , kasirai kuita
zvandätaura tione"

Vakamhanyidzana kunogeza vakabuda vasina kudya


vose vaiva vakaisa miromo mumhino

Ini ndakasarawo ndikaenda kunoona Doctor


wamhamha kuRuwa ndiko kwaiva Ne surgery yake

"Bp yenyu iri pahigh Madam ndine mapiritsi


andanyora amuchanotenga kuphamarcy , asi please
ndokumbirawo kana masvika kumba musanyanye
kufunga munogona kuzoguma madonha mukafira
ipapo newe musikana enda, unochengeta mhamha "

"Oky maita basa Doc"


Ndakadaro takadungamidzana namhamha tichibuda
muSurgery maDoctor Nakai , asi hana yangu yaiva
isinakugdzikana nemashoko andaiva ndanzwa
naDoctor, takadarika hedu hepapharmacy tikatenga
mapills tikaenda kumba mumota macho hapana
aitaura neumwe ,
Ndakavabikira vakadya ndikano cleaner muroom
mavo nekuwacha masheets epabed pavo ,

kuma10 ndakapinda muroom mangu ndikawana


pafon pane missed call from Gidza ndikati
nechemumoyo "ummm uyu akuzonetsa manje
akutopedzera shungu pandri ndr musikana wake hre
ini aa..."

Yakaringer futi ndisati ndapedza kupopota


ndikadaira zvangu

📞Eh wadii
📞🤣🤣🤣🤣 wakatanga riini kundimgoresa
uchidaro uri migheto yut here iwe

📞 ehe kutanga nhasi ndava musikana wedrip


asingaroorwe , hanty iwe unozviti mukomana wedrip
asingaroore here

Akaseka zvekurevesa akati 📞 iiii nhasi wandinakidza


, anyways I have good news for you

📞
📞 which good news let's hope hadzisi nyaya
dzaCollen idzodzo

ndakamudaro kuitira kuti kana dzaiva nyaya


dzaCollen agare arega hake kudzitaura

Akabva ati 📞habva iye Codza wakamumaka


akambokuita seiko , ndatofona ndikuudze kuty Dad
vangu vabvuma kukubhadharira but vati
vanokwanisa maOnline lectures saka iwewe unenge
wakudzidza online ne4n yako nelaptop uri paden

📞hiii shuwa here bestie , thanks , thank you so so


much handiziye ndokutenda nei ini

📞 ah don't thank me mhani iwe what friends for ,


ndamdichitoda tiende tose paVar then tonoshare
room , what do you think about that ,

Akataura nekavoice kari funny ndikamuti

📞 kwana ,watanga iwe naCollen hamuna


kumbosiyana ,but thanks xaa wandiitira zvidhafu,
kufara ndafara zvangu but mhamha vangu vari
kurwara Gidza nyaya iya yaTiara yakaita bp yavo
ikwire too bad and ndabva navo kuHospital Doc
vataura zvekuti vanogona kudonha
📞
" Eish zvaari ma1 ndichauya kuzovaona mamba
vedu don't wur vanoita bhoo uvaudze kuty zvanzi
naPastor Gidza get well soon"

Ndikati
📞hakuna Pastor akadaro bye ,
ndakabva ndakata , ndikatanga kunzwa kufara ,
handina munhu wandakaudza ndaida
tizongosangana kuUZ musi we graduation ndaiva
ndazvipira kuhider secret iyoyo for 4 years
ndichidzidza online pasina anozviziya kunyangwe
mhamha zvavo

*Stay tuned*

*End of chapter 6*
*Chapter 7 loading*

*Lily loves you all ❤🥰*


[3/10, 12:35] pppppppppp: *THE TRIPLETS*
*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*

*Written by*

*LILIOSA CHIWARA*
A.k.a *Lilies of the Valley*

Vari kuda book from 1 use the link below to join my


whatsapp group mupiwe book
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*0712132297*
*0789906234*
*app 🪀 or📞 call*
*CHAPTER 7 Seven* 🔥🔥

*Miara *

Days passed Gidza akazouya kuona mhamha day


iroro akauya nekalittle sister kake Natasha maiwee
mwana anotaura zvake iyeye ndoyaiva second time
yangu kumuona ndaiva ndakambomuona kubirthday
kwaGidza apa hanzi aiva achemera kuuya vakauya
nemagrocery akazara booty hanzi murwere agodya
uku kabasket kakazara nemafruits , mhamha
vakamutenda Gidza asi haana kugarisa zvake and
naTiara hazvina kumhoresana iye akabva
anozvivharira muroom make ndikaziya kuti ainyara
mabasa ake , havana kugarisa zvavo vakakurumidza
kuenda ndikavaperekedza kusvika kumota zvikanzi
naNatty "iii Choco unoziya ndaitofunga kuti ndiro
real name tako zvekuti Miara kutotanga
kuzvinzwirawo pano kumba uko inenge ingori Choco
this Choco that ummm and wakanaka unomboziya
day reparty riye handina kunyatsa kukuona paiva
pakazara vanhu I like you ndipewo # tigotaura "

Ndakangotora fon yake ndikaisa number dzangu


ndakanyarara uku Gidza aideedzera ari mumota
achiti "hande iwe uchaita makuhwa munhu wepi
anoti paasvika haachade kubva "
Mazuva haana kumira kufamba uku girls
dzichigadzirira kunotanga University, mazuva iwayo
vanga vava kugara vari busy neku prepare ini
semazuva ose ndaimukira kuBotique kusvika
mhamha vazoitawo zviri nani ndipo patakatanga
kuenda tose

Ndakazo invitwa kumba kwana Gidza imwe Sunday


Gidza akandifonera achiti hanzi nemaparents ake
ndiuye vaida kundiona , apa ndaitova kuchurch
ndakatenda Mwari kuti day iroro yakakasira
kuperawo church Service yacho ndakaenda kuma1
ndikanotambirwa zvakanaka tikapiwa lunch tikadya
tose sefamily patable 1 ndikabatsirana kusuka
nevainzi Auntie vacho vaiva munhu akasununguka
zvekuti takatosuka tichitaura nyaya zvedu , ukuwo
Natty aingova chinamira neni ndikambotorwa
ndikanzi hande ndinokuratidza muroom mangu
tikaenda hii muroom macho maiva makanaka kani ,
Dad vaGidza vakazotideedza vakatanga kutiraira tose
naGidza wacho ,

"Makadai ndinokuonai sevana vangu mose iwe Choco


naGidza hamuna kumbosiyana saka ndinoda
kukurairai atoshota ndiCollen handiti munotamba
mose muri 3" Gidza ndiye akati ehe ndikangonyarara
hangu asi ini Collen ndaisatamba naye zvachose
ndaitoti kana akasvika patinenge tiri naGidza
ndaigona kutosimuka ndonogara somewhere,
Takarairwa vachitionesa mafacts eupenyu
ndikavatenda nemoyo wose nekuda kwekundibatsira
kwavakaita asi Mhamha vake handina kuona kufara
kwavo kana kumbobvira vadavira nyaya dzacho
vaingova vakagara vari busy kutokonya fon yavo
zvavo
Ndakazooneka Gidza akandiperekedza nemota yake
zvikanzi naye tava munzira

"Hes kani nhasi kana kumbowana mukana newe


nhasi Natty anga akakuwandira ipapa anga
achitodawo kukuperekedza ndikamunyepera kuti
ndichadzoka nekwana Collen ndipo paatozobvuma
kusara "

Ndakangoseka zvangu tikatanga kurova nyaya tiri


muroad akazoti " ko musoro wako uyu hanzii wava
ne 2 weeks uchikama bvudzi ko ukudii kurukwa "

"Handina mari yacho xaa ipapa ndri busy kumbo


budgeter mari yekuti nditenge zvimwe zvinhu
zvandichada kushandisa like mamwe matext buks
acho ari kutengeswa ma$35 dollars "

" saka wakamboti Gidza ndirukisewo ndikaramba


here xaa usazviitisewo iwee "

"Ndakaona kuti ndingazokunyanyira bestie "


" saka dzidza kutsvaga boyfriend inokurukisa xaa
,hazvichanakidze zvekuoana mabvudzi ako aya ,plus
wakanyanya kunaka kana wakarukwa bvudzi
rinokushatisa ,I mean harikufite "

Ndakangoseka ndikanyarara zvangu ndikaziya kuti


ndikada kuramba ndichitaurisa inoguma yava
kunana Collen nyaya yacho , akanondi dropper
kumba ndava kudzika akandiisira 50 dollars
pamakumbo ndikada kushama kutara akandikata
ndisati ndataura akati " dzoro iro ndoda kuona
rakarukwa kna yatadza kukwana undiudze "

"Hii thanks mari yakawandisa iyi Gidza inotokwana


book riye zvese nekurukwa "
Akati
"Saka bol ndezva nhasi chete izvi ndangoti ndisane
kukujega uchitsvagawo boyfriend ini handingaite
duty risiri rangu , ndino maintainer pandinodya kkk"
Akaseka achimutsa mota yake ndikangosara
ndichidzungudza musoro

Vana Tiara naKiara vaiva vava kuita kubaka


baka vachindidadira kani ndakanga
ndisingachaonekwi sechinhu pamba izvo vaisaziva
zvavo kuti ini hangu zvese zvakanga zvatova sotted
mari ndaiva ndatobhadharirwa kudhara and
maLecture aizondidzidzisa ndaiva ndatova
nenumber dzavo , Ndakazoedhewa mumagrups
ewhatsapp ataizodzidzira maitova nevamwe
vakawanda uku mabooks ese ekushandisa ndaiva
ndatova nawo ndaitenga 1-1 ndichiviga plus taiva
tisingapindirane muarooms umwe neumwe aigara
nekey yake

Sekuru baba Ellias vakatumira maMornach


manewone evasikana nemafood trunch acho
ndikanzi namhamha chimhanya kuroadport
unomatora oooh mari iyi wohire tax then
wongonanga nazvo kumba straight INI ndikangoti
ndichibuda panze peshop kwakutofonera Gidza
akauya akandipicker tikatosvika laguage
yakutodziswa tikapiwa zvinhu zvedu zvikanzi
naGidza tava muroad

"Ko maMonarch acho zvaari 2 wani asi pane agara


aatengerwa kunoku here".

Ndikati "aewa ndeevana vechikoro aya "

Akati " ko iwe unaro here"

Me: handina ini

Him:" ummm hazvina kunaka nezera rako iri xaa ko


one day ukada kutizira "
Ah ndakaseka zvekurevesa ndikamuti

"Unopenga chete Gidza ndichitizira kuti zvaita sei"

Akati " haa wangu zviye hazvizikamwe chingogara


unaro just in case"

Ndakaona zvaaitaura zvichimaker sense ndikati "


ndikaita mari ndichatenga bestie máshoko makukutu
iwayo "

Akaseka hake taiva tatosvika akati " anyway wanga


uchibvunzwa naCodza hanzi wakamu blocker "

"Ehe ndakamu blocker aindifonera achitaura


nonsense"

*Kiara *

"Xaa mari yekutenga Jordan 5 yangu iri kuramba


kukwana iwe wazodii "
NdiTiara aindibvunza ipapo taiva tava kutenga
hembe dzekuno slayer nadzo paUZ takanga tato
applier nzvimbo tikaiwana saka taida kuti vanoti
feeler paVar taitoda kutosvika tichipisa hembe dzese
dzatairambidzwa namhamha kupfeka taiva
takatenga mabiker shots nema crop top taitenga
tichiviga pazasi pema mornach

"Hausi kunzwa here xaa uri kungoramba wakatarisa


pafon ndati ndiwedzerewo $10 "

Ndikati "10 mari handina wangu kumbira mhamha


unovanyepera kuti unoda matenis ekuzoitisa
masports"

"Yah une plan "

Takanyepa plan yacho ikashanda , takapiwa umwe


neumwe $10 yake vachiti ndeye matenis ,tikati
pakangobuda vana Mhamha nasister holy kuenda
kuBotique kwabva ndasara ndafonera Tino boyfriend
yangu , aiva murume wemunhu zvake but aindiitira
zvese zvandaida hapana chandaishaya,
Ndakamufonera ndichida auye kutitakura nemota
yake kupinda mutown akati ari biz achauya kuma ,
and for sure by 11 hooter yakarira kugate akabva
auya INI ndikagara kumashure Tiara akagara kuback
tikananga kutown

"Tonanga kupiko mababie angu"


Akadaro Tino
Ndikati "kugulf babe"
Tiara kwabva ati "ummm ngatinange kuMall
waMimie ndiko kune boots dzakanaka 'apa aitaura
achiita kuyemezeka zvikandibhowa but Tino wacho
ndizvo zvaakatoteerera kwabva tanoshaya maJordan
5 acho kwakuzoenda kugulf tikanomawana ,
tikazopinzwa muchicken inn naTino ndini ndakano
order food pandakadzoka ndakawana Tiara akabata
fon yaTino but handina kumbozvikoshesa zvangu
tikadya tichiita nyaya Tino akanoti dropper paden
pese paanosiuya anosisiya mari asi musi uyu kna
cent raakasiya, zvakandibhowa hangu but kuty
ndimukumbire zvaisaita futy ndikamusiya achienda
hake ,

Miara taiva takuita kumudadira chero kubika ndiye


aiva akuti akadzoka kubasa ouya obika , washen
taiwacha dzedu chete dzake nedzaMhamha ndiye
aiwacha akambotanga achi complainer kusvika
ajaira ini ndaitoona maid chaiye ndakamutarisa and
ndakafara paakafoira ainyanya huHoly hwenhema..

Pakazoti pasara madays mashoma kuti tiende kuUZ


ndikati regai ndibate Mbinga yangu imbondipawo
mbijana kunodai kuwhatsapp atori online kuisa
massage aingova mabluetick chete zvakandinetsa ,
uku Tiara anga ava kungogara akabuda out apa
achiuya nemazimari airamba kundiratidza munhu
wacho aingoti "haa this time ndakabata mbinga
kwete zviye zvandaiita zvekuswera kudanana
nemateacher kwaitova kusara kuye ndoda
kutokaramba karombe kaye"

*Stay tuned*

*End of chapter 7*
*Chapter 8 loading*

*Lily loves you all ❤🥰*


[3/10, 12:35] pppppppppp: *THE TRIPLETS*

*Miara*
*Tiara*
*Kiara*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐
*Aka Lillie's of the valley*
💐💐💐💐

Vari kuda buk from 1 pindai mugrup

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*0789906134*
*app🪀 or 📞call*

*CHAPTER eight 8* 🔥🔥

*Tiara *

"Nines zvidya zvenyu zvakatsvukira amana ummm


ndatenda zvangu" uyu ndiTino boyfriend yaKiara
aituara day raakatitakura nemota yake kupinda
mutown , apapo aiva awana mukana wekutaura
nekuty Kiara ndiye aiva aenda kuno order food
saka aitaura uku achinditsika nemuzasi metable
,achipota achitarisa zvidya zvangu ini wacho
ndikabva ndatowedzerawo kukwidza kaskirt kacho
mudenga kty zvidya zvinyatse kusara panze
ndikagoti kutsvuka ndaiva ndakatsvuka zviri natural
zvisiri kana zvekuwedzerera

Ndikamuti "thanks darling" ndichinyatsa


kumusekerera

Iye anenge akazvionawo kuti ndaitodawo zvekutaura


naye nekuti akabva akuti

"Haa Tiara xaa une ka that kaunako so kudarika


Kiara "
ndakanzwa kufara chaiko paakatanga nyaya
idzodzo ndikaziya kuty uyu adyira nekuti ini wacho
ndaiva ndatogara ndatodyira kudhara ndaimboda
kumutsveta mari iyoyo

"Haa xure hre kuti ndine kathat inga inini naKiara


takangofanana wani , Miara chete ndiye atori
different "

"Ko Miara ndeupi"


Akabvunza achitoratidza kuty ari confused ndikati

"Hanty tiri matriplets here"?


Akavhurisa maziso ake zvekuratidza kushamisika
kwabva ati "ummm asi umwe wacho akafa here coz
Kiara told me kuti you are twins "

Ndakaseka ndikati
"She lied to you titori 3 umwe wedu anoshanda
kushop kwaMoms "

Akati "anyway you are beautiful isa # dzako umu


tigotaura babes"

Handina kumboda kutambisa opportunity ndakatora


fon yake ndikaisa # dzangu but ndisati ndamudzosera
Kiara ndiye pfacha kusvika, ndakanzwa mudumbu
mangu makurira ndaifunga achandifungira but haaa
kana akangoinyarara nyaya yacho chero patakasvika
kumba haana kana kumbondibvunza , APA ini
ndaitodawo kumubvunza kuti ainyeperei kuti tiri
matwins kuna Tino but ndakàngosiyanawo nazvo

Takazoti totanga kutanga kutaura pa4n naTino


takangotanga kutaura nyaya dziri general ,
akazotanga kutaura zvekunaka kwangu and stuff,
akandikumbira kuenda out ndikabvumira padenga ,
takaita zvekunosangana kutown nekuti kuti auye
kunditora aitya kuonekwa naKiara ,
Ndakaendeswa out ndikanodyiswa mari ,zviye
zvekudya mari tikaparadzana mutown iye akuenda
kubasa kwake aiva nemashares pane imwe Company
inogadzira maplastics kuGranite side and also
maShops anoita zvekuhodesa maplastics mutown
imomo,

Ndakapiwa $100 US cash ndikaitambira pasina


uhestater kuitambira akangoti "thanks for the lunch
I really enjoyed your Company if you need anything
call me hanty "
Ndikangoti "okay thanks dear"

Ndakabva ndatosara mutown ndikatenga tenga


twunhu twangu nedzimwe hembe dzefashion
ndikaenda kumba and Kiara handina kumbomuudza
kuti ndaswera ndine munhu wake ,akatryer
kundibvunza kty ndiani andiendesa out
ndikangomunyepera kuti "I will tell you munhu
wacho basa rake haribvumire kuti aziikamwe "

akazvinzwisisa hake sezvo aindi truster zvekudaro

Tino uye akatanga kuti pese paawanira mukana


aindiendesa out pamwe pacho ono booker lodge apa
pasex pacho raiva zinhungo ndini ndaitoita
wekugarira kuty zvifambe ugoti kubowa murume
mukuru kuridza mhere during sex , hamenoo kuty
Kiara aizvigonawo sei mazuva ake acho ,aizoti kana
tapedza manje infact kna ndapedza nekuti iye
hapana chaaigona otanga kuti "haa babe uri shasha
unogona you drive me crazy unomboziya hre sweet"

Ndaingoti "oky dad kuitira ma$ azobuda akati wandei


and iye wacho aisarwadziwa aibva adonhedza bhuri"

Ndaiva selfish zvekuti handina kana zuva


randkambobvunzawo Tino wacho ko Kiara
wakazodii naye asi inini kumba ndaitoona
machanges pana Kiara wacho anga akuswera pamba
ndikaziya kuti ndaiva ndamubvutira chimuti

Ndakatanga kucompare Tino naTeacher Munjodzi


ndikaona kuti kudanana naDee kwaiva kupedza
nguva kuswera kupengeswa neka common Teacher
ndichisiya mbinga yairema iyi ndikaona riri zano
rakanaka kuramba Sir Mujodzi , ndakamuisira
massage kuapp ndichiti

🪀 "its over between us but don't take it personal


ingori nyaya yekuti next week ndava kuenda kuVar I
wanna concentrate with my studies ,so let's us have a
breakup"
mwana wevanhu akati unonyepa kana usingadide

ndikamudashainira ndichiti
you "
🪀
ndidzorere mari yangu yawakadya yose
"How much do I owe

Kabva asenda yakanzi


back you fucken bitch
🪀 just give me my money
Akatondibhowa ndikabva ndatonzwa kuda
kumushaudha ko zvepamuromo ndizvo zvaiva
zvangu zvee Ndakanyatsa kutora time yangu
ndichityper ndikamuisira zimuraba-raba remassage
yaiva yakanzi

🪀 usandinyangadze Dee ndati taura amount yemari


yako yandakadya , or else ndogona kutorega
kukudzorera mari yacho tigoona kuti unondiita sei,
unongomisa tuhobi kunge gudo, rombe remunhu
unei kusara kwe tie nechalk .....

Ndakaona ablueticker ndikaziya kuti zvaiva zvabaya


ndikangoseka zvangu , pasina nguva akatanga
kufona ndakabva ndamublocker ndaimboda
zvekunetswa here ini

Weekend yakasvika yekuti tiende kuVar nekuti


Monday ndipo pataitanga kusarudza ma department
ekudzirira Kiara ndiye aitondinzwisa tsitsi anga
asina kana cent mwana wamai vangu ini ndaitonzwa
ginger rekufarira kuenda kuVar zvinhu zvese zvaiva
zvatova in order , Miara aimira mira kutibatsira
kurongedza zvese zvebitterness yaaimbova nayo
mafirst days yaiva yapera kuti hwaa atodzoka kuva
normal , Mhamha vakazosvika tikabatsirana
kurongedza mamornach edu mumota Moms
vakadriver vakananga paUZ , hana yangu ikatanga
kurova nemufaro pandakaona pakanyorwa kunzi
*Welcome to University of Zimbabwe*
Takasvika paiva pakazara vanhu tikaita maprocesses
acho ose aidiwa kusvika tazonoratidzwa kumaHostels
kwacho kwataizogara and taizo share 1 room tiri 2
kudaro . Miara takanga taenda naye kushop day
iroro taiva tatovhara asi moyo wangu
waisamborwadza chero kuti ndiri kuparadzana
namhamha ndaiva ndisina kana basa navo
vaitondibhowa nenyaya yavo yekuda kundiendesa
kuBotique kwavo

Zvinhu zvese zvaiva zvava inorder then mhamha


naMiara vakabva vati vakuenda Kiara akatochema
pakuparadzana namhamha asi handina kana ,

Takavaperekedza kusvika kwavaiva vasiya mota


,mota yamhamha ichingosimuka kwabva ndaona
mota yaGidza iri paparking handina zvandakataura
ndaiziya kuti kana ari pano paUZ tichasangana chete
kunyanya ari mufirst year taingoti tionane chete and
ndaida kutoita plan chete nekuti ndidanane naye
ndagara ndaitova necrush naye kudhara saka tiri
kumba nekuchikoro ndaishaya mukana wekumuitira
ma actions nekuti every time ainge akati name-name
naMaira

*Gidza*

Madays aiva afamba zvekuti ndaiva ndisisina kana


time yekuswera kufamba naChoco taiva tava
kungotaura pafon chete masikati ndaiswera ndiri
bizzy kugadzirira zvinhu zvangu zvekunotanga
University ,Collen akanga awanawo hama yakati
inoda kumubhadhararira University level yake
nekuti vabereki vake vaiva vati hatina mari iye asi
akazoita lucky rekuwana munhu akamubhadharira
tikabva tangofurirana kuno Aplier paU.Z ndaiva
ndisingapade hangu asi ndakangoti ndozochinja
ndichienda kuSouth Africa for my Masters degree

Day rekuenda kuUZ rakásvika mhamha vaitoda


zvekundiperekedza ndikavarambidza ndikavati "I'm
no longer a child wenyu wamuchaperekedza
kuschool ndiNatty uyu , ini ndoenda ndega "

Vakati "ufone kana wasvika tizive kuti wafamba


zvakanaka here "
Kwabva ndarova mota ndakananga kuUZ ndikasvika
ndika processer everything ndaizivana nevanhu
hobho paUZ in no time mageez aiva atondibatsira
kutakura masinhi angu kunotsveta muroom mangu
ndaiva ndabhadhara yekuty ndizogara ndega
ndaisada zvekushare room with anyone ndaiva
ndisina kuzvijaira plus ndaida kuzowana mukana
wekuita madeals angu ndichipinzawo zvibabe
zvemisikanzwa

Ndaiita Accounting saka malectures angu aiva


akawandira before 1 , after 1 ndaiswera
ndakatandara neamwe majeezy epaVar , uyuwo
Collen ndaisanyanya kumuona aistuder Law plus
ndaitogara kure naye taiwanza kusangana manheru
kana kuDining Hall tichidya ,
"Xaa ndaona Tiara nhasi ari kuitawo law asi iii
zvaanga akapfeka zvacho tsanoo , haa mwana ari
kushama zvake iyeye " akadaro Collen achindiudza
zvake

Ndaizviziya kuti varipo paUZ Miara aiva andiudza


zvake ndaisada kumbosangana navo vaitondibhowa
vasikana ivavo

Stay tuned

Lily loves you all

Don't forget to comment

Macomments enyu anoita ndiwane Simba rekunyora


[3/10, 12:35] pppppppppp: *THE TRIPLETS*

*Miara*
*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*
*Aka Lillie's of the valley*
💐💐💐💐

Vari kuda buk from 1 pindai mugrup

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*0789906134*
*app 🪀 or 📞call*

*CHAPTER :nine* 🔥🔥
*Miara*

Moyo wangu wairwadza kuparadzana nevamwe


vangu chero vaiva vasina rudo neni zvavo seumwe
wavo , ini ndaingovada sevana vamai vangu asi ivo
vaisandidawo back , ndaivaitira mafavors but they
always to return the favours back they always treated
me like a trush , Most of the time ndaibozvibvunza
ndega why inini nevamwe vangu tisina bond the
worst part was taiva matriplets futi but ivo
vaisandinzwira zvandaivanzwira , I had that
extraordinary love for them but they hate me the way
I love them , some people said its normal but I found
it abnormal because it doesn't make any sense to me,
chavaindivengera chaicho ndaichishaya ini ,

Zvakazowedzera kutoita worse madays avaiva vasara


ne1 week kuti vanotanga University level yavo ,
vasikana vanga vava kungomuka vakarara zvavo
ndini ndaisiya ndaita mabasa ose epamba kna iri
washen ndaitoita manheru ndabva kushop, ndorarisa
hembe dzacho paline, apa kushop kwandinenge
ndaswera ndakamira dzimwe nguva ndaishaya kana
mukana wekudya lunch chaiyo ndaizodya ndakamira
futi uku ndichi saver macustomer uku burger riri
pamuromo, kurikushingirira kuti zvifambe

Madays akazosvika tikanosiya vasikana kuchikoro


kwavo ndakagoti zvangu nechemumoyo "enjoy
University life vana vamai vangu"
Ini ndakasara zvikambowedzera kundiremera
mafirst days zvekuti uku kubasa zvoti mabasa ose
epamba , then I have to manage ndiwane time yeku
Attender malectures angu pa4n ipapo , I was lucky
kuti vanhu vacho vaindidzidzisa zvese nevamwe
vangu vacho vaiswera vari busy saka malectures
ndaizotanga kuma 7:30pm

Pamwe pacho ndaitononoka kupinda online


ndowana vamwe vatotanga ndongohakira pamusoro
sometimes ndaizorara kuma 11 or past 12 ndiri
muma studies

Zvinhu zvangu zvese zvekushandisa kuchikoro


ndaigara ndakazviviga muwardrope chaimo pakati
pehembe ndaisada kuti zvionekwe chero pese
pandaiita zvemabooks angu ndaitotanga ndalocker
door nekuvhara mawindos nema curtuns kuri kutya
kuwanikidzwa zvangu namai 3 , It was my secret
chero iye Gidza ndaiva ndkamuudza kuti asamboti
bufuu chero kuna Collen zvake
Aiva ava kutondidenha achiti ndikada kufarisa
"farisa uchiziva kuti I'm your secret keeper " ndaibva
ndanyarara ipapo ipapo

Ndaida kuvarova nesurprise day reGratuation paUZ,

Inini ndaiita Law , Tiara futi aiita Law, Kiara iita


Social Work hamenoo kuti sei akada kuita zveSocial
work pamwe aidawo kuita zvakafanana neumwe ,

Natasha kahanzvadzi kaGidza tanga tava kugara


tichitaura paApp dzimwe nguva aifona tombotaura ,
kainakirwa zvako ndakatoona kuti mai Gidza
vakazvara vana vanotaurisa hamenoo umwe wacho
anonzi Nelly ainzi aiva kuSouth kuti aitaurisawo here
ndakanga ndisati ndambomuona hangu

Body yangu yakatanga kudzikira kutonzwa kuti ndiri


kuonda , matrouse ese maskin jeans akatanga
kudonha maskirts ndizvozvo,
Ndakaziva kuti Inyaya yekushanda ne pressure yaiita
kuty body yangu idzikire nekuti every day ndinenge
ndine maAssignments koti attender malectures zvese
nekuzozvipa time yangu yekustuder, apa ndinenge
ndaswera ndakamira futi kuBotique
Ndakazviudza kuty "I have to be strong" sezvo
ndaiva munhu ainonoka kubata zvaadzidziswa
dzimwe nguva ndaitoti kana tapedza lecture
ndozoenda futy kuInbox kwaSir or Ma'am vaye kuti
vanyatse kundi explanera

NaGidza taitaura aifona almost everyday just to check


up on me , ndaimboti ndikagara gara ndotenda
Musiki neShamwari ine rudo rwechokwadi
yavakandipa , Zvinhu zvaainditira Gidza dzimwe
nguva ndaishaya kuti ndomutenda nei ini , He was a
true friend and rudo rwemachokwadi asina kana
nguva yekuda kutora advantage zvataingonzwa
nevamwe zvichinzi vamwe vanoita friendship with
benefits asi isu medu muushamwari manga musina
zvese izvozvo aitondiona sasisi vake chaivo ,
ndaimbozvibvunza kuti ingani Shamwari
dzinobudisa mari iri more than 500kutengera
sahwira laptop yeApple , igomira mira futi kuti
vabereki vake vandibhadharire mari yekuVar

Vasikana vaivako vakangoti zii havana kana zuva


rimwe ravakafona chero kuna mhamha , Ivo
mhamha vaizokurirwa nemoyo wekubereka vobva
vafona kani, ini ndakambotanga ndichavatanga
kuwhatsapp asi vaipindura ma1 words ndikaramba
ndichishingirira vakaguma vava kundi blueticker
vese, ndipo patakazogumirawo kutaura ndaiva ndava
kungoita vekuonera pamastatus vakaita kupfeka
hembe dzinopinza mhepo zvidya zvitsvuku
zvakasiiwa panze ndaingodzungudza zvangu musoro
Simba rekuti ndivatsiure ndaisava navo asi
ndaizviona kuty vari kuita zvinhu zvri wrong vana
vamai vangu

Ndaiva ndatojaira kalife kangu kekurarama under


pressure and ndaiva ndazodzidza kushanda netime
always saka zvanga zvisingachandinetse ,
ndakatonzwa kuty nyama dzangu dzava
kudzokedzana chero hazvo ndagara ndri muslim asi
ndaivavo nezcimahips zvaiita kuti ndifitwe nehembe
Ngiriiiii ngiriiiii
Ndakainzwa fon yangu kuringer apa ndr bizzy
nemabook angu ndikamboda kuignore ndikazotarisa
ndikaona ari Gidza aitoita video call ndikaideera
ndakafizuka

Akati 🤳
"face yako haisi kufara asi ndafona wrong
time hre "

Ndikatoseka ndikati
🤳kana xaa kutodhinhiwa nebooks chaiko"

Akati
🤳 zviri kupinda here xaa kna pane pauri kusarira
ndiudze ndikutsvagire umwe anokubatsira futi

🤳 yah asi for now zvichiri kupinda hamenoo


kumberi kuti handizoremerwi here

Takatauta zvakawanda achindiudza zvemababie ake


azopedzisira nekuty

🤳 musoro wasakara uyo saka ndiri kubvisa $30


pamari yangu yeporket money uende unorukwa
mangwana
Iiii ndakaona zvava kuita senge ndri kumunyanyira
Gidza , ndaida kutomurambidza ndikati

🤳no xaa you don't have to.....


Akandidimbura ndisati ndambopedza kana kutaura
akati

🤳 As long pasati pava nemukwasha anokurukisa I


have to do the duties

Aitaura achibwibwinyika zvake ndikada kumuti


thanks akandikata futi achiti
🤳 iwee iwee ndakakuti chii nenyaya yako yekunditi
thanks thanks zvisina basa woda ndifeele sei iwe
chingoziya kuti chako ndechangu, but
wonditsvagirawo mukwasha kkkkkkk"

Anga atanga zvake zvekudenha ndika dropper call


ndikapedzisa Assignment yangu ndikabva
ndasubmitter ipapo massage yakapinda mufon
mangu from Mukuru, anga atosenda $50 Gidza

Handina chandakakwanisa kuita asi ndakaofugama


ndichitenda mwari maziso angu ndaimanzwa
kuvavira misodzi asi ndakashinga ndikagona
kunamata mashoko aya
*"Mwari wangu muri Mwari weminana,
munosimudza marombe kubva muguva ndiniwo
Mwana wenyu ndauya pamberi penyu ndichida
kukutendai nechipo chemuranda wenyu Gidza
wamakatuma paupenyu hwangu kuzondibatsira , itai
kuti moyo waanawo urambe wakadaro asachinje uye
muwedzerewo paanotapudza agone kubatsirawo
vamwe Amen"*

Ndiwo chete mashoko akabuda mumuromo mangu


ndikadzima light ndikaisa 4n yangu pacharger
ndikarara

Ndakatorara ndafunga kuti ndorukwa zvemarii


ndoshandisa marii , then imwe ndaida kuiisa pama
servings angu , ndine zvimari zvangu
zvandaichengeta pese pandaipiwa mari naMhamha
vachiti nditengewo zvandingada kushandisa
semunhu wemusikana ndaiichengeta kuitira kuti
pamwe rimwe zuva baba VaGidza vaigona kuzoti
ndakundikana kuramba vachindiendesa mberi
nechikoro saka ndaifanira kugara ndine plan
yekuzotangirawo ipapo.

Taipinda church yeA.F.M


every Sunday taivhara kuBotique toenda kuchurch
na mai 3 vangu asi ini dzimwe nguva kana ndikaona
kuti ndinenge ndine basa rekuchikoro rakawanda
ndaitsvaga excuse yenhema then ndosara ndichiita
zvemabooks angu

Vakomana vauya nekuwanda kwavo kuzondipfimba ,


vaiita kunge imbwa dzavhururwa chaiko ndaiti
kungobuda kuBotique kuti ndinotenga lunch kudai
ndaisvika ndanzwa nekuteverwa asi ndairambira
kure uko ,

Kuchurch ndizvozvo waingoona maziso eruchiva


akanditarisa ukuwo ndaisambovawanisa mukana
wekutaura neni sezvo ndaigara ndakanamirana
naMhamha vangu

Kwakazonzi kwaita musangano wemaYouth


kuMarondera, ini ndaisatomboda kuenda pakanzi
simudzai maoko vari kuenda ini ndakasiya rwangu
pasi mhamha vakanditarisa ini ndikatarisa pasi
vakanditsika nepazasi pechair ini ndikaramba
ndakasticker vanhu vaiva vava kutoverengwa ,

Pastor vakazoti pane vamwe mukati medu vane


shungu dzekuenda asi vasina mari simudzai maoko
ndikaramba futy ndakasticker zvangu ndakatarisa
pasi , ndakazosimudza musoro ndikazvinyarira
ndaona kumayouth ese ndini chete ndaiva ndisina
kusimudza ndikatarisa side revakoma ndikaona kune
vakomana 2 chete
Pastor akafamba kuenda paiveri vakati "mukoma
Gibby sei musiri kuenda kumusangano wema youth"
Akapa reason yekuti anenge ari kuchikoro ndaiziva
kuti aiva kuUniversty kuda aiva angouyawo kumba
for weekend ,
Pastor vakaenda pane umwe wacho aiva mwana
wemukoma vavo aitogara kumba kwavo nekuti
kwavo kuvabereki vakwe kwaiva kuMt Pleasant

Aizvida mukomana iyeye apa achiti Every Sunday


aichiga suit zvese nemota vabereki vake vanenge
vaiva nemari ndaiva hangu ndisati ndambovaona

"Ko mukoma Chale sei musiri kuenda kumusangano


wema youth "?

Vakabvunza pastor vanhu vakatanga kuseka serious


yacho yaiva yakarohwa naPastor

Iye wacho aizvinzwa kani akabva atanga agadzira


bhache rake kwabva agadzirisa pahuro akati
"ugmmm ugmmm kuenda ndanga ndine shungu
chose asi Friday yanzi inotanga musangano ndinenge
ndine meeting yebasa isingaite ndirege "

Aitaura achizvida hake akagoti aiva akanaka zvake


mwna wevaridzi ndakatombomuyeva
ndikazovhunduka Pastor vamira mberi kwangu
vakati "eeeh ko sister Miara sei musiri kuenda
kumusangano wema youth imi murimi mayouth acho
atakatotarisira "
Ndikati "ndenge ndiri kubasa"

Ndakataurira pasi kuti vakawanda vasanzwe ivo


Pastor vaye kwakufamba vachinomira mberi vakati
"ndafara chose mayouth mose muri kuenda
kumusangano hapna ari kusara as for you sister
Miara muchabatana naMukoma Charles ava Friday
manheru kana mapedza basa ndoda kunzwa kuti
maenda kumusangano ikoko"

Mashoko aPastor aiva final zvaisaita kuvapikisa havo


asi ini moyo wangu waisada ndakangonyarara hangu
kusvika Church yapera vana mhamha vakatanga
zvavo zvekumhoresa vanhu ini ndikatobuda muhall
ndaiva ndafunga kunovamirira kumota ndikazonzwa
kuti "maYouth sarai" ndikapererwa ndaitoda kutiza
asi mdakazongosarawo ndikagara vanhu vachironga
zvirongwa zvavo zvemari pastor vakazoti kwandri
"sister Miara don't worry uyu mukomana ane mota
saka ndichati auye achikutorai kuma7 kumba
kwenyu mongofamba pamwe"

Zvakandibhowa ini ndaisada kuenda naye


ndakademba chadaiva ndarambira at first dai
ndakatoenda nebus nevamwe hangu pane zvanga
zvazorongwa izvi .....
Ndakasvika kumba ndakadhinhiwa mhamha
ndikavaudza urongwa hwaivapo ndichito compainer
ivo vakutoseka zvavo

Ndakashaya ndoudza ani ndikamboda kufonera


Gidza ndikatya kuti aizondiseka ndikasiyana nazvo

*Stay tuned*

*End of chapter 9*

*Chapter 10 loading*

*Lily loves you ❤🥰*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*
*KIARA*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

aka *lilies of the valley*


💐💐💐💐
Vari kuda buk from 1 pindai mugrup

*0789906134*

*for whatsapp and calls*

*CHAPTER 10 TEN*
*Miara*

Mazuva akaita seari kudrivhwa nadriver


weambulance chaiye nekuti aiita kubhururuka
Friday ndiye vhuu kusvika, ndaitonzwa kusvotwa
zvangu nekuti ndaisava mumood yekuenda
kumusangano wemaYouth kwacho zvachose , ndaiva
ndakambokuenda ndichiri form 4 kukandibhowa
hangu, gore rakapera racho taiva tisina kuenda
musangano wacho wakaitwa tiri bizzy kunyora
maexams eA level saka ndipo patakaponerawo ipapo
zvino this year ndaiva ndaita kubatwa ndikasara
ndisina kana option

Friday morning takaenda kubasa zvakana-naka


namhamha kwava kuma 4 ndikati kuna Mai 3

" mhamha ndipeiwo mari yecomby ndichienda


kumba kunogadzirira zvekumusangano zviye time
dzafamba by 6 mukoma Charles vaye vanenge
vatosvika pamba kuzonditora "

mhamha vakanditi
"aah totoenda tose kumba ndinokubatsira
kurongedza kwacho "

Ndikaseka ndikavati
"Iiii nhai mhamha veduwee mungabva matovharira
shop zvinhu zvisina basa here regai ndiende I'm not a
child ndonorongedza ndega "

Vakarambisisa mhamha vakatovhara shop


vakadriver mota yavo takananga kuMabvuku ,
takasvika pamba tikapinda muroom mangu
takaterekedzana ivo mhamha vakabata handbag
yavo

Vakati "time dzafamba Miara mwanangu iwe


chipinda mubathroom umu ugeze ini ndosara
ndichikubatsira kurongedza hembe dzako
dzauchanopfeka,"

Ndakakasira kufunga ndikatya kuzobatirwa mabooks


angu aigara muwardrobe saka ndakavarambidza
zvine ungwaru ndikati
"No mhamha about hembe don't worry ndorongedza
ndongoisa madress 2 hanty kwasara 2 days chete
here kuti musangano upere , dai matopinda
mukitchen masana kundigadzirira manoodles I'm
hungry I need to eat something "

Vainzwisisa zvavo Moms vangu vakabva vatobudisa 2


madress matsva from her handbag vakati "ndatotora
these 2 dresses from my stuff ndatoona kuti
ungangonopfeka ako anzwa nekuchinjaniswa iwayo
kumusangano , asi iwe mari ndinokupa habva
hautenge kana nduwe zvayo yekuvhara kuzasi uku
ndotoshaiwa kuti unenge uchiishandisei uchafamba
uchidyiwa neimbwa chete iwe "

Ndakafara veduwee madress acho aiva akanaka ari


classy rimwe racho raiva long royal blue dress rimwe
racho riri reblack riri shot but rine malong sleeves
ese ari maflared mhamha vaitozviziya kuti
ndaisafarira hembe dzinobata muviri wangu

"Thanks mhamha hiiii mandigonera vaMamoyo


ndombochenawo"

"Unogotendeiko hanty vamwe vako ndakavapa mari


paye vachida kuenda kuUniversty vakatengawo
dzavo hembe iwe handina kukupa wani chirega
ndikugadzirira manoodles dai nguva yanga iripo
ndaitoita zvesadza chaizvo uwane kufamba wadya
chinhu chinobata dumbu "

Ndakaona kuti mhamha vangu rudo chairwo vaiva


narwo vaisadisarudza ndakazvishora nemamoods
andaivaitira ndichifunga kuti kuda vari kudivi
revana vavo vaiita basa rekunditsvinyira

Piiiii piiiiii piiiiii piiiiii piiiiii piiiiii


Yakarira hooter kugate ndaiva ndatopedza zvose
tatogara mudining namhamha vachingodemba
nhamo yavo yekusara vega pamba pavo hanzi
"2 days idzozi dziri kutoita segore ini handina
kumbojaira kusara pano ndega hamenoo kuti dai
makaenda mese kuUZ ndaizosara ndichiita zvekudini
"

Ndakatakura kabag kangu tonanga kugate kwaiva


kwarira hooter tose namhamha takangoziya kuti
ndivo mukoma Charles vaye vauya kuzonditora ,
kabag kangu kaiva kadiki and kasingareme zvako
sezvo ndaiva ndangorongedza madress angu 2
matsva ose nekutakura matoiletries and a roll of
tissues

Takutoda kunosvika pagate vakati vatanga


kundiraira mai vangu hanzi "muzive zvamafambira
asikana kwete kunoita misikanzwa ikoko hatizode
kunzwa kuti zvakati zvakati , and munhu
ndewekugezawo ugare uri smart kunenge kune
vekune amwe maBranch uchaona kuty kune
vasikana vanogeza hako asi iwe handikutyire
pausmart dai vari vamwe vako ava haa vane uyanga
chaihwo chero ukatarisa marooms avo mazuva aiveri
pano apa ndainzwa kusemeswa chaiko "
Vakataura vachifinyamisa face ndikaseka hangu
ndichivhura gate redu tikabuda tose namhamha
tikawanika pakaparker Benz yewhite ndikaona
Charles wacho achidzika kuuya kwataiva akasvikoti
mhoresa mhamha vakazoti "bye bye mufambe
zvakanaka vanangu iwe Chale wongonondiomerawo
sisi vako ivavo asaite misikanzwa tinongonzwa
nembiri kuti vamwe vanenge vasingafambire
zvekunamata ikoko "

Iye wacho akabva ati "ewoyi mhamha regai tiende isu


"

Ndakafamba ndika tryer kuvhura door rekumashure


rikaramba ndikamutarisa aiva atovhura rekumberi
ndobva ndangofàmba kunogara kumberi ikoko asi
ndaiva ndisina kugadzikana muhana ndaitoona
senge ndri kuita zvinhu zvri wrong

Mota yakasimudzwa tikananga Marondera vaya


Mutate road hapana aitaura neumwe iye wacho aiva
zii achipota achitevedzera masong echirumgu
aairidza paCar radio yake, pamwe pacho aimbobata
fon yake ve2 minutes oidzorera padashbod
akazoti tasvika patollgate yekubuda muHarare
paiva ne que yakareba saka mota yaitofamba
zvishoma shoma pamwe pacho ichimbopota
ichimira ndipo paakati "hes Miara "

Ndakatoshamisika ini hanty taiva tamhoresana wani


panze pagate ndikaona kuti kunyarara zvaisaita
ndakati "muri sei mukoma Chale "

"Ndri bol zvangu , ko iri sei fon yako"


Ndaida kuseka asi ndakazvidzora semunhu aiva
nabhudhi vekuchurch hazvizoite kungo bwibwinyika
zvisina basa zvaizoita sekuti ndri nzenza

Ndakangoti "iri bol zvayo"

Kwabva atora time akanditarisa kusvika ndaku filler


uncomfortable akati "wakanaka"

Ndikangoti "thanks"
ndisina hanya, ndaiva ndisisina kugadzikana
nemuitiro waBrother Charles zvachose

Takazodarika patollgate mota ikarohwa kawedzera


volume yeradio taiva tadzoka pasilent mode yedu
pasina aitaura neumwe , ini ndaiva ndava kutotamba
game pafon pangu

Takazosvika paMutangadura panzvimbo inozikamwa


nembiri yemafaro aka tuner akatsvaga parking ini
ndingova zii kwabva ati "ngatidzike timbonotsvaga
something to eat "

Ndaiva ndisina nzara ndaiva ndaguta nema noodles


amai 3 , saka ndakaramba kuenda naye iye akadzika
ndipo pandakatora nguva yangu kumutarisa
achifamba zvake kuenda uko aiva akapfeka suit yake
yeNerve blue iyo yainge yakamugara zvekurevesa
kuzasi akarova formal shoes dzeblack , musoro
akagerwa cut dziriko mazuvano dzekusiya rimwe
bvudzi rakawanda pakati pemusoro kumasides
kwakagerwa

Ndakamuona omhoresana nevamwe vakomana


vechidiki vachiratidza kuzivana chose vakapinda
vose mukati vachiseka
Akazobuda akabata 2mapaper bags e black

Akasvika akati "oooh , I know kuti you are not hungry


but unonodya kumberi I'm sure tinosvika vanhu
vatopedza kudya , pamwe totowana vanhu vava
muchurch service yemanheru "

Ndaisachida chikafu chacho asi ndakazonyara


kuramba ndikangotambira ndikati "thanks"

Akamutsa mota tikarova road,


Tichangoti fambe fambe my fon rang ndikaona ari
Gidza aifona lucky enough haana kunge aita zve
video call ndainzwa zvangu nekubvunzwa mibvunzo
isina basa
Saka ndakamudaira ndikaisa paloud kuitira
tinzwanane ivo Brother Charles vakadzikisawo
volume ye radio

Takatanga kutaurawo Nyaya dzingori general


ndikamubvunza about Kiara and Tiara akaseka
akandiudza kuti vana vaiva vava kuita zvinorova
paUZ ,ndikangoseka hangu akazoti

"Let's hope kwava nemukwasha "

Ndikaseka ndikati "wakatanga Gidza , but not yet"

Akati "iko kuchurch kwenyu ikoko unoshaya kana 1


here wekungodanana naye achikurukisa dzoro iro "

Ndikamuti "siyana neni"

Tikataura zvakawanda tichiwanzirana uyo ndiwo


waiva megarire wedu fon ikazosvika paku cutter
yega maybe mari ndiyo yanga yatoperawo zvayo

Brother Charles vaya vakanditarisa vachiratidza kuti


vaida kutaura vakatanga nekudzora speed vakati
"Hauna mukomana"?

Ndakashaya kuti zvaiva nei navo zvavaindibvunza


apa aitoratidza kuti aiva anzwa conservation yedu
yese ndikangoti "ehe" uku ndakatarisa pasi

"Wow I can't believe what I'm hearing right now ,


how is that possible a beautiful lady like you , being
single how I mean why"

Aitopengawo hake zvinobvunzwa munhu hre zvekuti


ndri single zvaiva nei naye and ndaishaya
chaimushamisa ipapo ini

Takazoti tava muMarondera mutown chaimo akati

"Saka haude here kuita babie rangu"

Ndakaramba ndakamba ndakanyarara sepasina


chandainzwa zvangu akati

"Hee nhai Miara mwana akanaka ndiitirewo favour


ungobvuma kuita babie rangu "
Ndakada kushama kuti nditaure ndikanzwa rurimi
rwangu rwakanamira ndikashingirira futy voice
rangu rikandi bitrayer ndikatarisa kuside
ndichishaya mhindiro svinu yandingamupa iye
akazviona akawedzera kuti

''Please babe"

Ndikanzwa maziso angu kuvavira misodzi ndaiva


ndava kuda kutochema hamenoo kuti kupusa here
kana kuti

"Ndagara ndaitongonakirwa newe kubva kudhara


xaa but ndaitotya kuti maybe uri munhu wemunhu "

Ndakatoona kuti brother Charles vanga vasina


kudzikama zvachose chero zvikanzi uri kupfimba
musikana handione sezvinoitawo kushandisa word
rekuti
" ndiri kunakirwa newe" ndaitoona sezvinyadzi
chazvo ,

"Saka watiiko sweetie"


vakadaro Brother Charles vaye ,
Ndaiva ndoita sechimumu zvino uku hana yangu
yainzwika kurova ichiita senge yava kubuda
muhembe ndakabata chest yangu iye akazviona
kwakutosekerera achiwedzera kudzora speed yemota
yake kwakuti "kana hana yako iri kurova it means
ndini wako "

Hana hangu yaisarovera zverudo kana asi


ndaitonzwa kutya , taingova vaviri mumota imomo
apa kwadoka iye achifamba speed yake
yekunonozoka , uku ziso risingachabve pandiri

Ndakatanga kuzvisvora nemukonya wandaiva ndaita


musi weSunday wekuramba kusimuka pakanzi
mayouth anoda kuenda simukai ini ndikaramba
ndakati gonono dai pasina zvese izvi ndaitoenda
nebus nevamwe , ndikatangazve kublamer ivo Pastor
vacho vaiitirei kuti nditakurwe nemwana
wamukoma vavo , ndikablamer mhamha ndivo
vamwe vakandisimbisa vachiti "haiwa unongotyawo
zvisina basa iwe unoti Charles uye angakuita sei
munongofamba zvakanaka "

Ndainzwa kusvotwa uku muromo wangu waiita


sewanamwa neglue

"ko uri kufungeiko babes tasvika bye bye chidzika


urare uchifungawo nyaya yangu iye nditori serious
ini "
Ndakatovhunduka kuti taiva tatosvika ndikati

"Thanks "

Ndizvo zvandakangokwanisa kutaura kwabva


ndatofamba ndichinotambirwa nema Usher
ndikanoratidzwa muroom mandaizoshandisa asi
maiva ne 2 ma Single beds mairatidza kuti 1 racho
raitova nemunhu nekuti paiva nemagumbeze

Ndakasiya zvinhu zvangu muroom muye


ndikafambisa ndichienda kuhall kwaiitirwa Church
Service ndikabatanawo nevamwe vairatidza kuti
vanga vachangosvika tikapinda tikakomborerwa seni
zvangu ndainyatsa kunzwa kuti ndiri munyasha ,

Service yakazopera kuma 9 tikaparadzana vanhu


vopinda mumarooms avo kunorara ,

Ndakapinda muroom mangu ndikawana musikana


uye avamo ndikaona ari Moleen musikana wekwedu
kuMabvuku , aizvida hake mwana iyeye aitova
akapedza University level yake akagraduater ipapo
ava kutoshanda ndakangomumhoresa

Akati

"Wauya naCharles here "


Ndikati "ehe "

Iye akamonya muromo Akati "next time udzidze


kutenga mota yako worega kunamirana nemota
dzevana vevaridzi , ini chaiye ndakauya neyangu
ndichizvi driver "

Aitova nepamuromo chaipo akaitawo lucky kuti ini


wacho zvekutaura zvaisava mandiri ndakamu ignore
ndikarara hangu ndaiva ndaneta nerwendo ......

*stay tuned*

*End of chapter 10*

*Chapter 11 loading*

*keep on commenting*

❤🥰
*lily loves you all*
[3/10, 12:35] pppppppppp: *THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Story Written by* 📝


*Liliosa Chiwara*

Aka *Lilies of the valley*

Vari kuda book from chapter 1 pindai mugroup

https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*0789906134*

Whatsapp 🪀or calls📞


*CHAPTER 11*

*MIARA*

Musangano wakanakidza zvawo iwowo chero hazvo


ndaiva ndazoenda kwasara 2 days asi ndakanyadza
kunzwa kuti ndri kuswedera padhuze nedenga ,
kwairohwa maMorning prayers , afternoon prayers ,
then mid-night prayers munhu wese aimutswa
tononamata zvekunamata zviye

Vakazoti voparidza mukoma Charles vaye ungamboti


ndivo here vandakauya navo aiwa mharidzo yavo
yaidurura Nyasha mandri , ndakaona vorudenhura
rumbo sisi Moleen vaye vagara vaiva kuPraise and
Worship iro inzwi ravo rakatsetseka zvinomwisa
mvura ugoti kuchena kwavaiva vakaita ndakaona
mukoma Chale ziso ravo risingachebve
pamwanasikana , pakanga pagara pane kugungira
kuti vaviri ava vanenge vaidanana saka ndakangoti
nechemumoyo kuda musikana ari kuimbira
mukomana wake hake

Ini ndaiva ndarasira pfungwa yacho kure yekuti


Brother Charles vaiva vambondiudza kuti vanondida
, ndakangoti kuda dzaiva nyaya dzekungotamba
tichivaraidza nguva
Ndakazonyatsa kuva sure ndatovaona vakamira vose
Sister Moleen ivavo naBrother Chale ndikatoziya kuti
vaidanana chete

Musangano wakazopera Sunday mazuva rodoka


vanhu vakatanga kupararira ndaiva ndakapfeka
dress rangu reblue racho pama newone acho andaiva
ndapiwa namhamha

Vamwe vaingondi commenter kuti ndakachena asi


roomate wangu haana chaakataura aitondifinyamira
zvake ndakanga ndatova neshwari umwe musikana
ainzi Shylet aigara muMarondera imomo tikatotanga
kutaura airatidza kuti kumba kwavo kune mari asi
aisadada hake aingova munhu ari humble so ,
aitofamba nemota yake , We exchanged our fon
numbers tikavimbisana kuzotaura pawhatsapp

Pakudzokera ndaisada zvekudzokera naBrother


Charles ndakangoti ndotya kuti anogona kungotanga
nyaya dzake dzisina basa futy ,ndaitoda kuwana
nzvimbo muBus imomo ndongoendawo nevamwe,
manje munyama wandakaita ndewekuti Leader vedu
vakabva vatotaura ipapo ipapo vakati "umwe
neumwe nechaauya nacho handide kuzonzwa kuti
kune aenda nebus iye akauya nemota"
Vakaita kundiorora chako ndikasenga kabheke kangu
ndakananga kumota kwaBrother Charles avo
vakanonoka kuita zvavo vakasvika ndanzwa
nekuvamirira

Takamhoresana paye vakavhura ndikapinda asati


asimudza mota ndikaona sisi Moleen vachiuya
vachifambisa

"Bye bye sweetie ndangoti ufambe bol dai ndisina


kuuya nemota yangu tatodzokera those neyako "
vakadaro sisitireni vane confidence , mufes wacho
akadeera akarisa pasi

"its oky newewe ufambe bol"

Kwabva atomutsa mota yake , takafamba tese tiri zii


kunosvika paMutamgadura paye akanditarisa akati
" haude kumbogocha here babie taazorora zvedu
pano "

Ndikatarisa time taiva tasimuka na6 pm ndikaona


kuti iii ndikazoda zvekugocha ndiko kufarisa
kwandaiva ndarambidzwa namai 3 ini ndaiva
ndafambira kunonamata muMarondera kwete
zvekugocha zvaaiva otaura

Ndakarambisisa akazonotenga chikafu chete


ndikamboda kuchiramba akati "kana iwe wakaguta
unonopa Mhamha " ndiko kuzotambira kwandakaita

Takasimuka paye pasina aitaura neumwe aiva


oridza masongs egossipel ainakidza ndaitogutsurira
dzoro rangu rakarehwa naGidza ,

Hapana aitaura neumwe kusvika tasvika pagate pedu


ndiye akazoti "bye bye babe , unokwanisa kuonekwa
riini ndine zvandoda kukuudza"

"Sunday chete ndipo pandinenge ndiri free"


ndkamupindura ndichitodzika kubudisa bag rangu
nepaperbag riye akaridza hooter moms vakauya
vaiva vandisuwa mai vangu vakaita kundimbindira
tikaita setichadonha tese pasi chaiwo

Vakazotenda Brother Charles tikapinda mumba medu


, tikatandara ndichivaudza zvekuchurch asi part
yekunyengwa kwangu naBrother Charles
ndakaisiirira ndaitya reaction yavo after kuvaudza
mhamha

Ndaiva ndakaneta ndikaonekana navo mai vangu


ndikapinda muroom mangu , kwakutangana nawo
mabooks ndaiva nework yakawanda sezvo weekend
ndaiva ndaswera ndisipo ndakazorara kuma2 chaiko
ndarembera nehope

Monday yacho mhamha vakanditi ndimbosara


ndakarara vakatondigonera zvavo nekuti hope
dzacho dzanga dzisina kumbopera ,
Ndakangomuka ndikageza ndikadya macereals
ndikadzokera kunorara zvangu

Ndakazomutswa nefon yangu ichi ringer ndikamboi


ignore kwabva yaringer futy ndikazodeera ndafunga
kuti ndiGidza ndikaona dzr new number ndobva
ndati

📞Helloe ndiani

📞 Hie beautiful warara bol here, ini handina


kumborara ndichikufunga babes

Ndakarinzwa kuti I voice raBrother Charles vaye


ndikashaya mashoko ekuvapindura ndikaramba ndri
zii

Akazoenderera mberi achiti

📞 xaa zvandri kukunzwira zviri serious , ndichauya


kubasa kwako masikati ndonyepedzera kunge pane
chandinoda kutenga kuitira Moms vasakasike
kufungira
📞oky
Ndizvo zvandakamupindura akati
📞bye babe take care"
📞thanks
Ndakazoenda kubasa kuma11 for sure iye wacho
akauyawo kuma1 akarova suit yake yaiva
yakamugara zvekunaka neurova smart aiva shasha
asi hunhu hwake ndihwo hwaindisiya ndine doubt
kuti munhu kwake here kana kuti?

Vakaswedzana zvakanaka naka namhamha akatenga


suit yake yaiita $70 US

Akauya kubhadhara pandiri kwabva ataurira pasi


hanzi "hona xaa ndava kutenga zvinhu
zvandisingade nekuda kungokuona chete "

Ndakaramba ndakamunyararira , akaonekana


namhamha akaenda hake ,

Mazuva akafamba akaramba achindinetsa nenyaya


yake yekuti tidanane ndichingoramba ndakashiga
ndakashinga nerekuti aidanana nasister Moleen
vekuchurch asi iye aiti "ini Moleen handimude
anodiwa nevabereki vangu"

Ndakaudzawo Gidza zvaivapo zvacho ndakamuudza


zvose nezvemusikana wacho ko hanty ndiyo yaiva
friend yanku here
akati "dai anga asina musikana wake zvaiita asi
pawazotaura kuti ane mumwe mubabe wemuchurch
panogona kunetsa "

Ndakazviudza kuti handimbofe ndakamubvuma


kana achiri kudanana nemusikana wake iyeye ,
ukuwo iye wacho aindipa pressure sei ini
ndichisunga zvinhu kutotsika madziro chaiko
akazosvika pakuti
"its fine ndomuramba Moleen wacho kuti uone kuti
pauri ndiri serious "

For sure akanomuramba mangwana acho akauya


kushop kuzondiratidza mamassages acho ndikatanga
kufiller guilty zvaaita sekuti ndini ndaiva
ndarambanisa vanhu

Ndakaudza Gidza akandisimbisa kuti ndimubvume ,


Paiva pangosara madays mashoma shoma kuti
vekuUniversity vavhare vadzoke kumba for holidays
ndipo pandakato bvuma munhu wangu zvakanaka
naka
Taifambidzana zvedu zviri secret iye aisada
zvizikamwe hamenoo reason yacho and handina
kuzvitsvaga nekuti neniwo ndaisada kuti vanhu
vazviziye ndaitonyarawo sezvo aiva ariye my first
boyfriend,

Kwaiva kuzhangandira zvake Chale asi aigona


kundiitira zvese zvandaida ini ndaisamukumbira
mari asi aingokaruka aisa akanyarara ,ini
ndaingoichengeta ndichiitira pamaservings angu aye
aye emadeals ekuVar,
Sometimes ainditora toenda out for lunch izvi
ndaizviita secretly Mhamha vasingazvizive,
ndaitotsvaga nhema dzekuvanyepera kuti ndiwane
kubuda...

Takazoti musi wakaenda Mhamha KuU.Z kunotora


vasikana uri musi wekuvhara kwavo, ndakaita
kutovhara shop kwabva taenda zvedu kulunch
nemunhu wangu, taitova muchicken inn
tichangopedza kudya tichitotorana mapictures ndipo
pakasvika mafriends ake ekubasa kwabva vatotanga
kuti

"Hey hey mwana here uyu ummmm Boss Chale

🔥
makanyanya and these days uri kuita kutuchinjanisa
tumababe kuita kunge hembe haa uri kupisa oooh
torai sando chibaba"
"Aewa boys musadaro uyu ndiye munhu wangu
chaiye chaiye "

Akataura kudaro achindibhabhadzira kuusana asi


ini ndaiva ndatozvibata kuti umwe wangu ane
magames , hazvina kundirwadza sezvo kubva musi
wataiva tadanana pasina zvasiva amboti andiita
taingogumira kumahug nekiss yepadama chete

Vakomana vacho vaitaurisa umwe neuwe aitaura


zvake and pakabuda mazita evasikana vanodarika 5
asi akazonyanya kundibhowa ndeakati

"Haaa kunyenga unonyenga hako asi hauzombofe


wakawana babie rakanakirana naSàsha ha mwana
uye ane chivakashure boys iko kutsvuka haa uri
kudya naMambo wangu "

Ndakaramba ndakanyarara asi iye wacho aionekwa


nyadzi dzaiva dzazara kumeso kwake kuti avamise
vaitowedzera kutaira vanenge vaiva vakadhakwa
chete , Vaiva 3 but 2 vacho ndivo vainyanya kutaurisa
vakazorega mushure mekunge umwe wacho ati "stop
it boys hamuone kuti mazvinyanya hre imi respect
this girl"

Vakazoenda akasara akati "don't mind them


mafriends angu ekubasa ndiwo matambire edu
ekuwanzirana"
Zvakandibhowa ndikangobuda ndakanyarara
ndakananga kushop kwedu netsoka ndakarambisisa
kudzokera nemota yake ndainzwa kubhowekana
zvekuti,

Ndakatokasika kuvhara shop musi iwoyo


ndichangovhara akasvika achida kundiendesa kumba
nezimota rake ndikarambira padenga

Ndakamhanya kumacomby ndikasvikawo kumba


kune madrama evasikana Kiara aiva akabata
banga maOkapi aye anopenya penya akanongedzera
Tiara uyo aingorisa kumhanya mhanya neimba
avawo mhamha vaingoridza mhere vachirwisana
kuzama kubata Kiara ,

Ndakangopererwa ndichishaya kuti yaiva nyaya yei .


Hapana wandaida kutaura naye ndaitoda kudarika
kuenda kubedroom kwangu ndosiya zvakadaro
nekuti ndaitova nedzangu dzaindinetsa

Ndikafamba ndichivadarika vachiita madrama avo


iwayo
Mhamha vakaridza mhere vachiti
"Nhai Miara mwanangu ndibatsirewo kani vamwe
vako vanokuvadzana ava maiwee ndinoitirwa ngozi
pano ini"

Handina kuvapindura ini Simba tekukiritsana


nevanhu ndaisava naro ndakangoti "Kiara siya banga
pasi "
ndakataura ndiri so cul akati

"Haundiudzire ndogona kutoti ndapedza kubaya


Hure iro ndozobaya iwe imbwa yemunhu "

Mashoko ake akaita kuti ndinzwe hasha akawedzera


moto papeturu chaiyo nekuti ndakawana Simba
ndikasvika ndikamubata zvakasimba nekumashure
kwabva ndakwanisa kutora banga riye
ndichirikandira pasofa mhamha vakarinhonga
uyuwo Tiara achibva amhanya nemupassage kuenda
kuroom kwake akandivhazura ndikamusiya kwabva
ada kundirova mbama ndikarubata zviri strong
ruoko rwake Kwabva andikava pagumbo nejombo
raaiva akapfeka , ini ndikamupa bhutsu yemudumbu
achinowira kwakadaro uko kwakumuka ipapo
achimhanya mukitchen kunotora poto aitoda
nezvangu ndakainzvenga poto iye ndikamubata
Kwabva ndamuba gwati rakarira zvekuvharisa imba
yose mhamha vakapinda vachimhanya
vakatikatanura iye kwakubvisa top yaaiva akapfeka
kwakukandira kure akaswedera padhuze achida
kundisvipira kumeso , mistakenly kwabva ate ake
aenda kuface kwamhamha
Haana kuvati sorry and haana imwe action yaakatora
akangonhonga top yake akati

"muchamuka makatsvira muno mese mahure


evanhu"

*Stay tuned*

*end of chapter 11*

*chapter 12 loading*

Lily loves you all ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*
*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

aka *lilies of the valley*


💐💐💐💐
Vari kuda buk from 1 pindai mugrup

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 12 twelve* 🔥🔥

*Kiara*
Ndainyatsa kunzwa kupombonoka zvangu ndiri
mumusha weU.Z , vasikana ndaisaziva kuti
panzvimbo paye pakanaka kudaro ndainzwa
kufurwa nemhepo ndaitodemba kuti dai pasina
chinhu chinonzi Holiday , tisingambodzokere kumba
kwamai 3 ini kwaindibhowa hangu kutaura
chokwadi

Ndainyatsa kunzwa kuti ndauwana mukana


wekumboita zvandinoda pasina anondibvunza nguva
yangu zhinji ndaiipedzera mukugeza nekupoda ,
ndikagoti ndaigarwa nehembe iro gar* rakatanga
kungofutunuka rega skin yangu kuwedzera kunaka
zvagara ndaiva muyellow born

Pamafirst year ose aiva akatangirana nesu paU.Z


inini naTiara taitokwikwidza kusmart zvese nekupisa
, tisu vacho taiva matop shutter

Ndaiita kumhanyirirwa nevakomana , ndaitoita


ndichindatarisa kuti munhu anei kana ari wanga
ndairamba , asi kana ari munhu ane mari dzake
ndaitobvuma ipapo ipapo

Tiara 4n yake aiva achinja password and yangu anga


asisina basa nayo , zvese zvataiita zvekuudzana
madeals anga asingachade
Umwe musi atoenda kunogeza hamenoo kuti
akaikangamwa sei fon yake nekuti mostly aitogeza
nayo kana kusiya aidzima , Aiva ava kushandisa
IPhone kaa saka aitopinda nayo mubath pasina
matyira

Ndakainzwa ichirira sound yemassage ndikabva


ndaenda kunotarisa ndikaona pane massage from
number dzandaiziya , massage yacho yaiva yakanzi

📲 hi babie, ndakuwa ndokumbirawo kukuona nhasi


chaiye

Ndakatsokota maziso angu ndikadzokorodza


kuverenga massage zvese nekutora 4n yangu
ndichifananidza number ndikaona same same
nenumber dzaTino muface wangu uye wekungotanga
kuacter weird ,kwakuzoguma andi blocker

Ndabata hana ndikashingirira kuzvidzikamisa


ndikatora laptop nefon yangu ndikabuda mudom
rataishare ndikanogara pamabench ekunze ndaisada
kuonana naTiara nekuti hasha dzandainzwa ipapo
chero poison ndaigona kumuisira akafa ndainzwa
kumuvenga asi ndaisada kumungwadza

Ndakamuona ageza achena chena achibuda mudom


akarembedza kapecy ndikaziya kuti ava kubuda
kunosangana nemunhu wake , ndakamutevera
zvangu ndichifambira rimwe side kusvika abuda gate
, paiva pakazara vanhu vaingopesana pesana saka
haana kumbondiona

Ndakaona mota yaTino yakaparker a distance away


from pano loader maComby ndakaona Tiara
achitopinda kunogara kumother sit chaiko,
Ndakarwadziwa vasikana handide kunyepa panguva
iyoyo ndakatonyatsa kuona kuti mwana wamai
vangu muroyi wemasikati chaiye , Tino ndaisamudira
rudo asi aindipa mari , ndega ndakazonyatsa
kuzvibatanidza nemusi wataiva muchicken inn uye
wandakawana Tiara akabata fon yaTino
ndikazvishaira hanya , izvo vanhu vaitopanana
mafon numbers

Ndakaswera ndakarara ,kutopinda mumablankets


masikati chaiwo , akadzoka hake kuma6 munhu
kutonyepera kunge and rudo neni akandivigira pizza
ndikairamba ,akabvunza ndairwara hre
ndikangomuti ndabatwa nemusoro, ndaiva ndisati
ndava ready kumubvunza ndaiva busy kumutsvagira
revenge chaiyo inoenderana naye

Week rakapera ndisina chisvinu chandaronga


pamusoro pe revenge umwe musi ndakazokundwa
neshungu ndaiona Tino ariye ari wrong chaizvo aiva
neshavi rekudisa madress ndikatsvaga rimwe line
kwabva ndaisira Tino wacho massage kuti "hi its
Kiara"
Akangoi bluticker kwabva ndakasika kufona asati
andi blocker aadeera ane hasha hanzi naye

📞 Uri kudei Kiara ndakakuudza ndine mukadzi


wangu siyana neni

Ndakabhowekana nemhinduro yake ndikamuti

📞 sei une utsinye Tino une sure hre kudanana


nemutwin wangu uchiramba inini

Akamboramba ari zii akazotanga kutaura nyobvo


📞 ehe ndiye wandava kuda anotonaka kudarika iwe
hausi active and haunake unobuda mvura"

Ndakasvotwa ndikati

📞 handisi kukukumbira asi ndri kutokuudza kuti


siyana nemwana wamai vangu iwe imbwa
zvekusanaka kwangu hazvinei newe
📞 handimusiye as long achiri kundinakira ndoda
kuto attacker kamwe kenyu hanty waindinyepera
kuti muri matwins manje ndakuzviziya kuti muri
matriplets ndoda kungorara nemi mose ndozomitisa
kekupedzesera macho

Aitaura zvaanoda ndakapererwa nenhema dzangu


dzandaiva ndakanyepa kuti taiva matwins isu taiva
matriplets , asi ndizvo zvandaingoita pese
pandaifamba chero paUZ taingoti tiri matwins Miara
taiva tisingamuverenge chero zvikanzi afa
ndaisachema ini

📞uchiripo here iwe hure usanditsvage futi wanzwa

Akacutter fon yake ndikanzwa muviri wangu kuvira


nehasha ndikabuda padoor ndikanogara pabench
mushed ndakàona umwe mukomana ainzi Owen
achiuya pandri aimbondinyenga mukoma iyeye saka
akada kuenderera menyaya dzake ndikamushaudha
akada kundirova ndikasimuka nesimba rangu rese
ndichimukachikira pahuro chaipo ndakadonha naye
ndikatanga kumurova vanhu vakaungana vamwe
vachitora video tikazobatwa aiva atsvuka ropa nekuti
ndaiita ndichimutsunya kumeso ..
Ndakasimuka ipapo ndichinzwa kurerukirwa chaiko
hasha dzese dzaiva dzapera kuti hwaa , ndizvo
zvandaiita kuti ndikatsamwa ndaiita chimbwa
mupengo
Ndakazodeedzwa kuhearing nenyaya yangu yekurwa
nemunhu ndikanotaura side rangu ndichiwedzera
nenhema mukomana uye akasara anemhosva
zvichinzi Aida kundi abuser sezvo agara ari
muhombe kwandri

Tiara madays acho akabva abata imwe mhene


mukomana ainzi Drake , vanhu vaitomuti Boss
Drakes aiva nemari yemasure apa aitova mulast year
paUZ ipapo

Ndakanyatsa kuona kuti I plan yakanaka kutorera


Tiara muface wake uyu iri revenge yekuda
kwekuti aiva atorawo Tino wangu

Ini ndaiita zvinhu zvangu muchinyararire ndaisada


kumungwadza ndosaka ndaisamubvunza nyaya
dzaTino ,and I'm sure Tino wacho haanawo kunge
audza babe rake kuti ndakambomufonera anenge
atoitya kurambwa

Ndakamu actera haana kumbotana kudyira Drakes


wacho ndikatotanga kurara naye paadira sex
ndichimupa yeke yeke ndainyatsa kuziya kuti Tiara
aiita neprotector saka ndaida kuwinner maMarks
zvekuti akaguma asingachaite nezvaTiara ava
kungouya kwandri chete
Madays aitofamba zvekuty taiva takutoda kuvhara
kwabva ndawanawo umwe Lecture akandipfimba
,aitova serious achitoda zvemarriage ndikatoramba
Drake ndichiti ndawana munhu ari serious neni

Kuzoti musi wekuvhara takatomirira kuti mhamha


vauye kuzotitora ndati rega ndimhanye kuoffice
kwemuface wangu ainzi Brain , ndakasvika ndikaona
mashura Tiara aiva akaita kugarira Brain uku kaskirt
kari mudenga vanhu vachidyanana miromo iyo

Vese vakatarisa kwandiri ini ndikabuda


ndichimhanya full speed ndikanotora mari yese
yandaiva nayo ndikanoona muface aitengesa beer
akandipa 2 mabhodhoro ema Two Keys kwabva
ndamwa rimwe racho riri dry risina kana dilution ,
musoro wangu wakatanga kutenderera kwabva
ndafonera Flacka umwe mufessy aiita zvekutengesa
maOkapi mutown ndikamuti andivigire hombe
chairo re20 dollars chairo

Ndaiva ndafunga kumupfuudza Tiara kundijairira


kwake kwaiva kwanyanya ndakaisa banga rangu
pakanaka ndaida kunomubaya pamberi pamai vake
kumba chaiko

Mhamha vakauya vakatitora ndikavaratidza


maresults tese taiva takapasa asi ini ndaiva
ndakatsamwa plus doro riya raiva rava kushanda, iye
Tiara aingovhunduka vhunduka achinyara
kunditarisa aingova busy pafon pake ,
Ndakangoti ndichisvika pamba kwabva ndatobudisa
Okapi rangu mubag ndikàtorivhura ipapo ipapo ,
ndaitoda zvekumubaya pamoyo chaiwo

"Excuse me mhamha ndimbopedzerana nehur* iri "


Ndakatodaro ndichi pushira moms paside iye Tiara
wacho kwakutanga kuridza mhere aidziziva nyaya
dzake , Miara ndiye akazosvika nekudzimura zhowe
zhowe akanditorera banga rangu akandirova imwe
mbama yakandidzikamisa

Ndakataura zvandinoda ndichipinda muroom mangu


, ndaida kutopedzerana naye Miara wacho zvese
naTiara ndaitoda kuti Flarka anditengesere iri pfuti
chaiyo

*Tiara*

Madeals angu andaiita akazodhirikira day


randakabatwa naKiara ndine mukomana wake
muoffice uku taitoita sex zvedu ndini ndaiva
ndatomu seducer

Pakapinda Kiara ndakanzwa kutya ndikasimuka fast


fast ndikagadzira skirt yangu iye akatanga kupina
mabutton ake ndakabva ndafamba kuda kubuda, iye
ndokundibata pahuro chaipo akanditarisa neziso
risina tsitsi akati
"You beach see what have you done, wauchidei muno
tell me huh"?

Ndaiva ndakutadza kunyatsa kufema nekudzipiwa


kwandaiva ndakaitwa akazondisiya ndikatanga
kukosora ndikati

"Iwe pfutseki usaite senge wanga usiri kunakirwa


chii newe nhai"

"Kana uchida kuti zvikunakire wototaura netwin


sister yako ibvume kudzokerana neni or else I will
make your life hell at this school, akangondiramba
chete ubve watoziva kuti hauna Exam rauchapasa
pano paUZ"

Ndakavhunduka nemashoko ake ndikamhanya


ndichibuda ndichida kunokumbira Kiara rugerero ,
kwakusvika mudom medu mataigara kwakuona
mune empty bottle redoro 2 Keys ndikaziva kuti
hakuna chakanaka I have to be careful

*stay tuned*
*end of chapter 12*

*chapter 13 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*

*lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*For comments join this group*

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*

📝
*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

aka *lilies of the valley*


💐💐💐💐
Vari kuda buk from 1 pindai mugrup
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 13 thirteen* 🔥🔥

*Miara*
Zvepamusha pedu zvaiita sezvine ngozi chaiyo
mukati
Pataigara tiri 2 namhamha everything was normal
but kungodzoka kwakaita vana vamai vangu
kuchikoro yakava hondo zuva rega rega

Kiara anga ava kugara achirwa naTiara


ndakambotanga ndichabata kusvikira pakuti ndaiva
ndava kungosiyanawo nazvo, dzimwe nguva vairwa
chero tiri kushop ipapo ndipo pandaizobata manje
nekuti vainge vava kudistuber macustomers
vachipotserana neboots

On the other side Charles aingofona zvese nekutexter


mamassages asking for forgiveness , ndakamu
blocker akatenga rimwe line ndika blocker futy

Akazouya kushop apa day iroro taivako tose


namhamha nevasikana , ndakaona vasikana vachiita
kuminizika kuita kunge vachamudya Charles wacho
akazviona akangotora 1 jean trouser akanobhadhara
kuna mhamha , ini ndaiva busy kurongedza boots
akazouya pandaiva achiita senge ari kutarisa boots
kwabva ari "Miara please don't do this to me
ndokumbirawo kukuona palunch please" akataura
maziso ake akatsvuka ndikatoona kuti
ndingachemerwa zvangu ndipo pandakangoti

"Its fine"
Akati "thanks babie uku achitobuda"

Kiara naTiara vakasara vakatarisana vakarova


chikwee vachirovana maoko, ndikatotadza
kunzwisisa kuti ko vava kutowirirana vanhu vaiva
vabva kurwa makuseni vakatombodirana mvura

Tiara ndiye akazotanga kuti

"Kana wanyengwa naCharles usambofe wakazvizama


hako zvekudanana naye munhu ane musikana wake
wekuchurch uko sister Moleen nofunga chero newe
unozviziya hatozode kutadziswa kuenda kuchurch
zvakanaka isu"

Ndakamunyararira ndikaramba ndri busy


nezvandaiita , akatsiurwa naMhamha akavapindura
rough ndikamutarisa neziso ndipo paakazonyarara
nekuti aindikunda zvake pamashoko asi pafight
ndaivakwatsamura vese
and ivo vaitozviziya

Lunch payakakwana ndakabuda pasina wandataura


naye ndikawana Charles akandimirara pashop iri
next from yedu aine zimota redu
Akananga neni kune imwe hotel yandisina kuziya
kuti ndeipi ndakazongoona pakanyorwa kuti

*WELCOME TO KIM'S HOTEL 🏬*


takapinda mukati iye ari mberi ini ndiri kumashure
akati ndokumbirawo kukubata ruoko ndikagobvuma
zvangu ndichitya kumunyadzisa zvangu

Maiva ne 2 macouples aitodyawo and mairatidza kuti


munopinda vanhu vane mari dzavo maiva
makanyarara kuti zii uchingonzwa Aroma yefood
chete kunhuhwiriria

Takaunzirwa food yedu tikadya takanyararidzana


tichangopedza kudya iye Charles uye kwakupfugama
zvake pasi achitanga kudemba demba kuti
ndimuregerewo ndainyatsa kuona rudo mumaziso
ake asi ini ndaiva ndisina chandinomunzwira
zvachose ndakangobvumawo zviye zvekuti zvindibve
ndaitonyara kumunyadzisa nekuti vamwe vanhu
vaiva vatarisa akasimuka nemufaro wake wese akati
"hii xure here babie thanks darling"

Vamwe vakatanga kuombera maoko ini ndaingo


smiler uku takambundirana ,

Akazondidzosera kushop akadzokera kubasa kwake,


kubva ipapo taiva tadzokera pedu pemazuva ose
pekudanana secretly naCharles wangu taionana
palunch asi kuchurch taisataura tose hedu , Ini
ndaitotya kuitirwa madrama naMoleen

Mabooks angu handina kumira kuverenga uye


ndakatofara kuti Dady vaGidza vaiva
vandibhadharira maholiday lessons saka
ndaitodzidza sezvandaingoita mazuva ose ,
ndichaigara ndakaviga laptop yangu zvese nekugara
ndakakiyer door rangu

Vasikana vaiva vasingachanyanye zvekurwa asi


hapana aitaura neumwe iniwo vese vaisataura neni
umwe neumwe aingorarama life yake. Mhamha
vaizviona zvese vakazotideedza tose imwe Sunday
yataiva tisina kuenda kuchurch, tikagara mudining
vakatanga vatura mafemo vakazoti

"Vanangu ndini ndakudeedzai pano muchioona ndiri


pano kudai mugarire watakaita pano pamba hausi
kundifadza hazvishamise kunzi ndamuka
ndakadonha mangwana chaiye nekuda kweBP, ndri
kushungurudzika nehunhu hwamuri kuita mese
zvenyu , hamutaudzane ndinozviona zvangu , zvino
mukatanga kuita mazvake mazvake muchakadai ko
ndikazonzi ndafa nhasi munozosara muri papi ,
gadzirisai ipapo matova vanhu vakuru zvamadai"

vakataura kudaro munhu wese akaramba


akanyarara ndiri seni ndaiva ndaita kutarisa pasi
ndichiita kufeeller guilty

" iwe Tiara naMiara ndoda mundiudze nyaya iri


kuita mugare muchirwa pano pamusha"

Vakadaro mhamha vasingaseke vachiratidza hasha


chaidzo

Tiara ndiye aizviita shasha yekutaura akati


"inyaya isina basa mom's don't wur"

Akatotaura achipoza mhamha vakati

"Usandiudze kuti inyaya isina basa ndokukwatura


izozvi usandiona ndakanyarara ukati handigone
kukurova, unoti zvaune tumazamo ukati
ungakwanisa kundidzorera here iwewe simuka tirwe
kna uchizviti uri mai "

Iiii mhamha vaiva vatsamwa Kiara akaona kuti


hapasisina kumira mushe akasimuka akataura nyaya
yake akazopedzesera nekuti

"Zvakandirwadza mhamha vava 3 vakomana vangu


vaatora Tiara uyu ndichinyarara asi paakazotora
mukomana wangu Lecture iyeye ndakabatwa
nehasha ndaitoda kumutengera iri pfuti chaiyo
ndobva ndangomupfura ofa hake zvipere"
Munoziya ndakavhundukuka ivo mhamha
vakaratidzawo kupererwa

Vakazoti "udzore hasha dzako Kiara uchauraya


munhu rimwe zuva ukanofira kujeri usadzidze
kushandisa maweapons, izvo zvevarume izvi siyanai
nazvo mumboita zvechikoro "

Ndipo pakaperera hurukuro yacho umwe neumwe


akadzokera kuroom kwake , mhamha aisava munhu
wemashoko havo

Ndakapinda muroom mangu ndikawana fon yangu


ichiringer kwabva ndaona ari Gidza simail yaibuda
yoga mumuromo mangu nekuti ndaiva ndamusuwa
taiva tatova netime tisingataure

📞helloe bestie wangu

📞hesi kani my Chocolate


Ndizvo zvaakadaira achiita ndikamuti ,
📞my name is Miara mhani iwe
Ndakamudaro zvangu chero hazvo ndaiva ndatojaira
kuti pese paaindideedza ainditi Choco bae dzimwe
nguva ndaitodeera pamwe pacho ndaimuti
handizvide

📞 chero ukaramba asi uri Chocolate , kana Baba


Nelly chaivo vanozviziya

Ndakaseka zvekurevesa Baba Nelly vaitaurwa vaiva


Dad vake avo vaingonditiwo Choco handifunge kuti
kana Zita rangu chairo vairiziva ini

Takatauta tichiwanzirana akazoti

📞waenda kuchurch hre ini nhasi ndarovha


📞 handina kuenda ini nhasi mota yamai 3 yanga
isina fuel taswera takazorora kana kuBotique hatina
kumboenda

Iye akati

📞 dai ndisina kuneta ndaiuya tombotandara plus


huh zvima siblings zvako zviye zvinondi bhowa ini
Ndakamuti
📞 vanokubhowa vaita sei

📞 vane dzungu ndoshaya kuti iwe sei wakadzikama


kudaro

Ndakaseka hangu akati


📞 anyway ndanga ndafonera kuti ndikuudze kah kuti
ndakatenga imba kuwaterfalls ndiko kwanditori
ndikuda kuti uuye kizokuona

Ah ndakashamisika veduwee pamwe nekunzwa


kusara ndikati
📞 hiii sure here bestie wanga uchida ndiuye riini
kuzviona imba yako hii ndafara shemmm

📞huya nhasi handiti ndipo pautori free here

Ndikati
ndiuye
📞oky I'm coming give me the direction
Handina kuda kutambisa nguva ndainzwa
kunonokerwa nekunoona imba yabestie wangu
ndakatora kaperce kangu sezvo ndaiva ndageza kare
ndikanooneka mhamha ndikarova pasi ndakananga
kumacomby anopinda mutown ndikadzikira kuna
forth ndikafambisa mvura yaida kunaya
ndikatoguma ndava kuita zvekumhanya ndakananga
kunokwirirwa macomby eku Waterfalls
Ndiri mukumhanya kudaro ndakanzwa
ndadhumhira pane munhu ndikakurumidza
kusimudza musoro ndichiti "sorry "

Hana yangu yakarova ndichiona ari Moleen uya


wekuChurch kwedu uku akabatana maoko naBrother
Charles vachiratidza kuti vanhu vari murudo

Akada kundishaudha kuita senge ndaiva


ndamugumha ndichida asi ini ndakasiyana naye
ndikamhanyira kumacomby ndikasvika pane yaiti" 1
arasa" ndikapinda pasina nguva ndaiva ndasvika
ndilamuudza Gidza akauya kunditora nemota yake
tikasvika akatovhura gate neremote achipinza mota
yake maziso angu aingomhanya mhanya kwese
kwese yanga yakanaka imba yacho tikaburuka
akavhura door rikapinda mukati maitova neproperty
iye aingova zii ini ndini ndaingotarisa tarisa
ndichingoti
"Wow wow" kasingapere

Takazofamba tichitenderera ndichiratidzwa kupool


ndikashaya kuti mari yekutenga ziimba rakadai
Gidza akaiwanepi ndikati haiwa uyu mumwe wangu
regai ndimubvunze
Iye akati "Mudhara vangu vaka retire kubasa saka
vakapiwa mari yakawandisa saka vakatipa umwe
neumwe mari yake vachiti tiwane mabussiness
atingaite saka ini zvebussiness ndikaona kuti
zvingandinetse sezvo ndichiri kuchikoro kudai
ndikati better nditenge hangu pekugara, Natty
akatenga saloon Motown umo kutaura kuno akatoisa
vanhu vanoshandira musaloon imomo kuruka
nekugera iye achipiwa mari yacho , Nelly handisati
ndaziva hangu kuti ari kurongei neyake mari "

Ndakanyemwerera ndikaona kuti kune vabereki


vanenge vakagadzira future yevana vavo
ndikatofungawo Dad vangu ndikanzwa misodzi
kuvavira ndarangarira kuti vaisava nehanya nesu

"Ndaitofunga hangu kukuita next of kin paimba


yangu ndikazorega ndafunga kuty zvaChoco ndogona
kutonzi wakandiisirei usina kundiudza "

Ndiye akadaro ndikamuti

"Wakatogona nekuti handitode "

Takatanga kuitisana nharo kusvikira azo winner


akaramba achingoti Aida kundiita next of kin
weimba yake ndikazobvuma kuti zvindibve munhu
wacho aiva nenharo
Akanondidzosera kumba tikadarika nemutown
akanditengera chikafu nekundipa 20 dollars yekuti
ndichinje hairstyle , ndakatanga ndichimboramba
kusvikira ndatojaira kuti musoro wangu wairukiswa
naGidza ,

ZvaCharle handina kumuudza hangu zvekuti ndaiva


ndabva kusangana naye ane umwe misikana asi
ndaiva ndangozviudza kuti handichade zvee kana
kumuona padhuze neni......

*Brother Charles*

Ndini wacho Chale wamanga muchingonzwa mababe


ndaichinjanisa type netype hanty vamwe vacho
vaiuya vega vachitevera bag here, Miara ndaisamuda
ndaingoda kumudya ndomusiya ndaiva ndakanzwa
mbiri take yekuramba vakomana vemuchechi saka
ndaida kuvaratidza kuti ndiri chibaba kwabva
ndamupfimba akamboda kundi player "hard to get"
but ndakaita patients naye semunhu aiva pamission
kusvika azobvuma, mari ndaimupa chero asina
kukumbira but ndaishaya plan svinu yandingaronge
kuti ndiwane kurara naye ,
Aimbondiramba tichidzokerana futi after
ndamunyengerera , ndaiva nemunda wemababie but
wangu wandaida ndiMoleen wekuchurch chero
vabereki vangu vaimuziva ini ndichizikamwa nevake
, Ndaimudira kuti aiva akadzidza plus achishanda
kwete zvana Miara marovha nezvandiri zvino
ndigonzi ndaroora kamunhu kanoshanda muBotique
angasanzi mashura here.......

*stay tuned*

*end of chapter 13*

*chapter 14 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*
*lily loves you all*
[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

aka *lilies of the valley*


💐💐💐💐
Vari kuda buk from 1 pindai mugrup
*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 14 fourteen* 🔥🔥

*Gidza*

"Why are you staring at me like that"?.

Ndakabvunza Natasha kahanzvadzi kangu kaiva


kangoramba kakandiyeva , apa ndiwo musi
wandaiva ndasvika kubva kuUZ coming home for
holiday , ndakatombofunga kuti maybe ndakaresva
kupfeka ndikazvitarisa from head to toe ndikaona
ndakapfeka zvakanaka ,ndikatoshaya kuti saka Natty
ainditarisirei kudaro

Akambopedza time akanyarara zvikanzi naye


"I was looking at you because I have been missing
your , when you left the house felt so empty ndanga
ndisisina munhu wekudenha kkkk"

Kakatanga kuseka ini ndikaputikawo nekuseka


tichinombundirana mhamha kwabva tikamhoresana
vaisava munhu anoseka sterek its rare kuona zino
ravo panze Mai vangu aiva munhu anogara
akamenya serious chero kubasa kwavo vaitotyiwa
visingaite nevashandi sezvo vaiva varivo manager
wemaCompany aDad

Dad vakazodzoka kubasa kwavo tikafarirana Mdhara


vaisava muhard sezvaiva moms , takatokura tichiziya
kuti chero ukaita problem inoda maparents better
kuudza dad than moms vaikubatsira uchitukwa or
kutorohwa chaiko she was kinda rude ...

Vakazotideedza Dad for a Family meeting vakataura


mashoko ekuti

" I called this meeting because I want to tell you guys


that i retired from my work , ndaona zvakafanira
kumira kushanda nekuti ndakura , macompany
andinawo anokwanisa kuraiser mari yekuti tirarame
, moreover ndine mari yandai banker muAccount
mangu yenyu imi sevana vangu ndoda kukupai
umwe neumwe amount inoenderana naye ndimi
muchaziya zvekuishandisa kana kuri kuvhura
mabussiness muvhure , Nelly yake ndinomusendera
ari kwaari ikoko ndakatomuudza nyaya yacho"

Ndakanzwa kufara ndikatarisa Natty ndikaona


simairi iri kugotsi ,takangosimuka tose pa couch
pataiva takagara tikamhanyira kunombundira Dad
tikabva taitirana tose kuti

"Thanks Dad"

Ivo vacho vakati


"you are welcome my kids ndimi vanhu
vandinoramira"

Kuzotidaro takabva tawedzera kunyemwerera Moms


havana kana any word rakabuda mumuromo mavo
asi takazongotiwo

"Thanks Mommy you are the best"

Vakangoti "you are welcome my kids"

Mari dzakaiswa mumaAccounts medu ,yaisava mari


yekutamba nayo it was a huge amount of money
Natty akanotenga Saloon hombe mutown yaitova
nemarooms akawanda zvekuti aikwanisa futi kuisa
vanotengesa hembe as a form of mall
Sekutamba akanga atova landlord mwana wamai
vangu aiita kufara kani ini yangu mari ndaiva ndisati
ndaishandisa asi ndaida kutenga imba full house
yakapera kudhara saka zvakanditorera 1 week kuti
ndiwane vanhu vanotengesa dzimba dzakanaka with
affordable prices

Moms vakazonditi rimwe day

"Why are you not using your money to invest


something , let's hope you are not going to finish it
pasina chawati waita kana kudyiwa chaiko
nevasikana kunyanya kaye kamuti Choco I don't like
that girl anondibhowa ,"

Ndakabatikana zvangu nemashoko amai vangu but


she is my mother ndingavaita sei , dai aiva umwe
munhu tainetsana kana kutorwa chaiko nekuti
zvekutukirwa bestie wangu ndaisada zvachose

Ndakaerekana ndati

"Asi nhai mhamha munovengerei mafriends angu


chero Collen chaiye hamufarire "
"Iwe unombotambirei nevanhu vanobva kumba
kusina mari , tarisa isu vabereki vako we are loaded
asi ndipo pauno swera kuramba netuvanhu tunogara
kughetto uko "

Ndakarwadziwa nemashoko amhamha ndikasimuka


ndisina kana shoko randataura ndichitopinda
muroom mangu ndikavanzwa vachideedzera kuti

"Chero ukaramwa wazvinzwa zvandataura handidi


mwana anotamba nemarombe ini unoda
kundinyadzisa"..

Ndakazotenga hangu imba yangu kuWaterfalls


ndaiva ndatofunga kuisa muloger then ndosiya 2
rooms dzangu dzandaizoshandisa kana ndadzoka
kuchikoro nekuti zvekugara naMoms zvaiva zvava
kutondimara nekuda kwemaMoods avo

Miara ndiye andakaita next of kin paimba yangu I


don't know why I trusted her to that extend ,
ndaingonzwa kutovimba nayo shamwari yangu,
ndakazomudeedza akafara kuona imba yangu ,
Collen ndakangomuudza pa4n ndaisada kuti apaziye
ndaitya kuzoitirwa imba yangu lodge akuchinjanisa
mababie ake zvake mukomana wacho ndaimuziya

Mom and Dad ndakavatora ndikaenda navo it was


thier surprise vese naNatty , Dad naNatty ndivo
vakafara zvandakaona nemaziso angu Moms
vaingosekerera nenguva dziri kure semugarire wavo

"Thats nice Son I'm really proud of you " ndidadie


vaidaro vakandimbundira
Takaswerako tese tikadya take away food sezvo
ndanga ndisati ndatenga staff like mapoto and dishes

Madays haana kumira kufamba Miara aiva


ambondiudza kuti ane mukomana ndikafara pasina
mazuva ndoudzwa kuti tarambana , haa ndaingoseka
hangu nema onn and off avaiita apa mukomana
wacho ndaiva ndisati ndambomuona live
ndaingomuona pama pictures zvichiperera ipapo

Madays haana kumira kufamba takatovhura


kuUniversity kwedu ndikasiya ndaoneka friends and
family ndikadzokera zvangu kuchikoro ndaiva
netuma babie twangu twandaingoitisana natwo
zvangu ndaisava be relationship iri fixed ndaingoita
zvimababie zvekuita Mjolo nazvo and ndaiva shasha
paku protector ndaisazoda drama mberi kwangu

Collen aingondinetsera kuda kunoona kumba


Kwangu ndichingomuti tichabaya , ndaiva ndasiya
ndaisa mulodger marooms ese ndikasiya kitchen
yangu nebedroom chete hamenoo kuti dai ndaizoita
muyenzi ndaiita zvekudii
Kiara naTiara ndaivaona hangu vaiva vaita
sekudzikama asi izvi vakangozviita kwemazuva
mashoma vakadzokera pavo pekuchinjanisa
vakomana , dzimwe nguva zvaindirwadza chero
ndikafunga kuudza Miara ndaiona pasinawo
zvaaigona kuita plus ndaitotya kuzomukanganisa
mabooks ake semumhu aidzidza achienda kubasa
futy, ndaingonamatira kuty akunde 4 years idzodzo
achidzidza hake chero zvichirema ndaiziva kuti
Miara munhu ane shungu she gonna make it ...

*Miara*

"Nhaiwe Miara unonozvirira muroom mako imomo


unoti vanhu vanodyei hanty nhasi I duty rako
rekubika iwe ndipo paunorara kusvika kuma half
past 6 kudai kana une nhumbu taura tikudzinge pano
" ndakamunzwa Tiara achidzvova akamira padoor
pangu nezivoice rinoita seremunhu abva amwa
super kana kuti ane masese pahuro

Ndabuda kwabva ndamuona achifamba mupassage


ndikati

"Watch your toung Tiara handisi munin'ina wako"


Heede ndikati ndadenha mago akabva amira uku
akaita kunditarisa zvikanzi "yes hausi munin'ia
wangu and wagara hauna kana place mumoyo
mangu you are nobody handikuverenge xaa chero
kuVar ndinotovaudza vangu kuti we are twins which
means you are nothing "

Akataura achiita zvake zveupindurudza maziso and I


felt so empty kutonzwa kuti handisi chinhu ,
ndakafamba ndikanopinda mukitchen ndichinzwa
kuzarirwa hapana zvandaigona kuvaita vana vamai
vangu vaindidzikisira zvavo misodzi ikayerera yega
ndikakasika kuipukuta asi ndaingonamata kuti
Mwari vazondi Blesser ndigovaratidza who I am

Pavakadzokera kuUniversity kwavo ndakambonzwa


kufurwa nemhepo kutonzwa kurerukirwa chaiko
Chero ivo mhamha musi wavakanovasiya vakadzoka
vakatowana ndri kushop zvangu ndaiva ndaramba
kuperekedza mapenzi avo , vakasvikoti

"Iii ndombofema veduwee ndodyawo richidzika


vana ava vanondishaisa mufaro tiri 2 kudai zvinhu
zvese zvinenge zviri normal "

Hapana kupera mazuva vakabva vafonerwa kuchinzi


Kiara abatwa ari umwe wechikwata chevana vanoita
zvemadrugs paUZ nyaya yacho ikanetsa nekuti
zvaiva nepolicts mukati mhamha vakabuda mari refu
vachifambira nyaya idzodzo ,bp yavo yaigara yaka
shooter nekuda kwehunhu hwevasikana ivava

Vakasvika pakufonera hanzvadzi yavo sekuru baba


Ella vaigara kusouth vachivaudza nyaya dzese
vakabva vangoti

📞
" Don't worry mwana wamai vangu unganetswa
nevana vasikana hre kuzoti dai vari vakomana
waitofa zvee , eeh chirega ndimbotanga ndataura
navo vese asi kna vakangoramba vachiita
zveudhenye wondiudza ndonokwira ndege
ndinovirwirwa ndamhara ndomboshanda navo "

Ndakaziva kuti sekuru vakauya kunorohwa benzi ,


sekuru vaisava munhu wemafanisi vaisada any
nonsense mberi kwavo , ndaingoti dai vakambouya
vatsike vanhu mhani, vaiva vanetsa vasikana vaviri
ivava

Charles ndaiva ndatomuramba for good kuchurch


ndaienda ndichitomuona vakabatana maoko
naMoleen wake kuda kwaiva kuri kundosvotesa here
zvino ini wacho ndaigova nebasa rei nazvo , ndivo
vaitozvinetsa havo nekuti dai vaiziva anwe
masituations andaimbopindana nawo vaingodanana
havo pasina kuda kundisvotesa

*stay tuned*
*end of chapter 14*

*chapter 15 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*

*lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*for comments join this group*

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*
*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

aka *lilies of the valley*


💐💐💐💐
Vari kuda buk from 1 pindai mugrup

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 15* 🔥🔥

*Narration*

Mazuva akafamba ikava mwedzi mwedzi ikafamba


akava makore ,
Rakange rava gore rechi 3 Miara nevamwe vake
vachiita zvidzidzo zvavo , ava vaviri vanoti Miara
naTiara ndivo vaiita zveLaw uyuwo Kiara aiva
akasarudza resocioal work

Asi pavari vese Miara ndiye aiva ava kunyatsa


kunzwisisa kwazvinoenda nako chero hazvo aidzidza
zviri secret

Baba vaGidza havana kumbomira kumubhadharira


aingovatenda pafoni nekuti number dzavo aiva
nadzo ,

Vana Tiara naKiara havana kumira kuita


mabasa avo echihur* huye Kiara aiva azotova leader
wekushandisa pamwe nekutengesa madrugs

Izvozvo zvakakonzera kuti utano hwamai 3 hutange


kudzikira vakatanga kurwara zvekuti kubasa chaiko
vaiva vasingachanyanye kuenda nekuti Doctor aiva
avakurudzira kusabata mabasa anorema , uye vaiva
nemapiritsi nemapiritsi avo avaimwa vaine tarisiro
yekupora vachidzokera pavo pekare .

Asi mwana wavo musikana aimira mira kuBotique


and Mwari vaiva vachivakomborera nekuti vaiva
vava kutozikamwa mushop mavo muchigara
makazara macustomers vamwe vaitoita kupresser
order zvekuty vakatikwanisa kuwana mari
yekuvhura imwe shop yehembe Mumabvuku mavo
imomo pamashops paKamunhu paye , vakaisa
vasikana vavivi vaibetserana kushanda imomo

kuBotique rekutown Miara aiva azotsvagawo umwe


musikana waaibatsirana naye nekuti zvaiva zvava
kumuremerera , aiva azotora passpórt yake saka
aitoenda ega kuZambia kuno hodha , dzimwe nguva
aienda kuSouth Africa onosvikira kwasekuru vake
baba Ella

Kubva paaiva asiyana naChale haana kuzomboita


umwe mukomana aitozvishaira mukana zvake
musikana wacho aigara ari busy
Charles akazoti oda kutochata nemusikana wake
Moleen ndipo pakazoramba vabereki vaMoleen
vototaura zvekuti vane mukwasha wavo ari
kuchando wavaida kuti azoroora mwana wavo

Charles zvakamurwadza chero zvazvo aiva asina


musikana 1 asi aiva netarisiro yeuzoroorana
naMoleen wake wakatanga kufunga mari dzake
dzaaiva akadyiwa naMoleen akatanga kubata musoro
kuungudza kuchema chaiko

Miara aingonzwa hake madrama acho asi haana


kuseka akatonzwira Charles tsitsi nekuda kwezvaaiva
aitirwa izvi , hamenoo kuti moyo wake waiva wakaita
sei mwana iyeye
Gidza aiva ava kuti kana akavhara kuchichikoro
aingonoona vabereki vake zvemazuva mashoma ,
holiday yose aiipedza ava kugara kumba kwake
zvake ari bhachura ,
Hushamwari hwaGidza naCollen hwaiva
hwakazopera , Gidza aiva azobata mamassages
mufon maCollen airatidza kuti Collen aidanana
naNatasha hanzvadzi yake , izvi zvakarwadza Gidza
nekuti aitoona manwe mamassages airatidza kuti
Collen aisenderwa dzimari naNatty

Gidza hazvina kumubata mushe akati anobvunza


Collen ,Asi akâdavirwa rough hanzi
"Iko kahure ikako ndiko kaungandibvunza zvisina
basa here ndagara handikade ndiani angada kuroora
munhu anobva kufamily yakaromba "

Gidza zvakamurwadza kunzwa vabereki Vale


vachinzi vakâromba akafambisa achinopinda
muroom make akalocker door kwabva atanga
kunamata achiti

*Mwari vekumusoro kudenga ndimi


makatikomborera neupfumi hwamakapa vabereki
vangu ishe ndinonatira kuti kana huri hupfumi
hwekuromba ngauparare Asi kana guru
hwekushanda memaoko pasina ropa rakadeurwa
chiitai nyika izive nekuti vanhu vanoti vabereki
vangu vakabata mushonga ,Amen*
Akapedza kunamata kwake akanzwa misodzi
yovavira mumaziso akazvishingisa hake semunhu
wemurume haana kuzochema

Aiva angomirira kuti vavhare anotaura nemwana


wamai vake kuti asiyane naCollen , akaita sekudaro
rudo rwevaviri ava rwukagumirawo ipapo ...

Tiara akabva atanga kurwara nemudumbu asi


haana waakaudza , akazotanga kubleeder mwana
akaramba akashinga kunyarara yakaberekana
mwedzi mitatu achingojuja ropa chete , iye aisaziva
paaiva azviwanira asi aingofungidzira kuti maybe
pane murume wemunhu waainge arara naye akabva
agadzirwa nemukadzi wacho
Akatanga kudzikira muviri kuri kupera ropa , uku
mari yekuti aenda kwaDoctor aiva asina sezvo
aishandisa pakati pemakumbo kuti awane mari
akabva afunga rimwe zano raigona kuti awane mari
yekuenda kwaDoctor kwakubva aah...

*stay tuned*

*end of chapter 14*

*chapter 15 loading*
*Rambai makadaro pakucommenter macomments
enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*

*lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*for comments join this group*

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*

*Written by* 📝
*Liliosa Chiwara*

aka *lilies of the valley*


💐💐💐💐
Vari kuda buk from 1 pindai mugrup

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 16 sixteen* 🔥🔥

*Miara*

Makore aiva atofamba sekutamba sekuseka , ndaiita


kufara ndichifunga kuti ndaiva ndatosara negore 1
kuti ndigraduate ,
Vasikana vakadzoka kubva kuUniversity kwavo asi
Tiara aiva akadzikira zvisingaite, aiva munhu ane
body structure yakanaka and aiva magadziko
mahombe zvekuti pandakaona achidzoka akadzikira
kudaro zvakatondishamisa ndakamboda
kumubvunza ndikasiyana naye zvangu ndatya
kupindurwa rough zvangu sezvo ariye wemukamwa
makaumburukwa nechidembo, asi zvekutaurisa aiva
asingachanyewo , chero zvekungofamba aiva
asingachaite

And aisatomboda zvekuenda kuBotique rekutown


aitoda kushop yaiva pakamunhu pamashops edu
epadhuze nepamba pedu

Ndini ndaisienda kunotora stock everyday asi


ndaisaenda ndakangoti Tiara sezvo ariye anoswerako
atore mari yacho ozongouya nayo kumba, masells
acho iwedzera kudzikira everyday ndichishaya kuti
chii nekuti ndaiti ndikasvika kushop ndaiona stuff
yadzikira kuratidza kuti hembe dzri kutengwa asi
zvaisaenderana nemari yaiuya naTiara kumba

Ndakazomunzwa umwe musi iri Sunday achitaura


pafon ari kuseri kwemba ini ndaiva ndanoyanika
hembe dzandaiva ndabva kuwacha saka kuseri ikoko
ndiko kune line , shasha yaiva isina kundiona
ndakanzwa achiti

📞
" It's now getting worse rava kubuda rakaita
kubatana uku riri reblack "
Zvakadavirwa newaaitura naye handina hngu
kuzvinzwa sezvo ndanga ndakamira a distance from
kwaari, ndakaramba ndakateerera akati

📞 haa xaa ma1 apa mari yakanzi inodiwa kwaDoc


yakawandisa umwe wangu ini parizvino ndakwanisa
kuba 100 chete kushop kwedu ska kuzoona ikwane
200 ndinenge ndatofa zvee"

Zvakandinetsa kuti airwara nei iye aisataura futy ,


ndikabatikana pakuzoti aiba mari kushop
ndamushora nekuti dai aiziva kuti ndakatambura sei
kuti shop iyoyo imire dzimwe nguva ndichienda
kuSouth Africa kunohodha ndichirara ndakamira
paborder paramba kudarikika asi munhu otoita hake
zvekuba mari ,akazopedza kutaura nemunhu
ndisingachateerere zvaaitaura , akacheuka
akandiona ndichiyanika hembe akaratidza
kuvhunduka kwabva ati

"Wauya ipapo nguvai Miara"

"Ndichangosvika ini" ndakamunyepera hangu sezvo


ndaisada kuti aziye kuti ndamunzwa zvese zvese
zvaanga achitaura pafon
Akangoti "hoo" kwabva atofamba kunopinda mumba
ndikasara ndikayanika hembe dzangu, ndikanoita
mabasa epamba ivo vakazvivharira mumarooms avo
ari saKiara aiva ava kungo acter strange chero
kushop aisaenda uku dressing aiva akutonyanya
kushama chero mhamha varipo aisambovatya kna
akasapfeka zvakashama ibva apfeka kuita kunge
kaTomboy chaiko waiona ati zicargo trouse opfeka
nezi garment risiri rezera rake then nezubhutsu uku
cap yopfekerwa kumashure ndaingodzungudza
musoro hangu ndosiyawo zvakadaro sezvo ndaiva
ndisina zvekuita

Day randaiva ndanzwa Tiara achitaura pafon yaiva


Sunday taitoda kuenda kuchurch inini naMhamha
tisu takazoenda ava vaviri vakaramba , Tiara akasara
akarara asi Kiara aiva atogeza kuratidza kuti ane
kwake kwaaidawo kuenda

Takasvika tikanamata zvakanaka Brother Charles


ndaivaona vakanditarisa zvavo ini ndichitarisa
kuside ndaikurirwa nesetswa nekuda kweyaaiva
akatambwa nasister Moleen , vaiava kzomunyadzisa
kumuramba pachena apa aiva atozivisa vanhu kuti
ava kuda kuroora , Moleen wacho nevabereki vake
vakatanga kutorega kuuya kuchechi kunonzi day
remarooro rakuda kutosvika ndipo paakazoudzwa
kunzi Moleen ane mukomana wake aigara kumhiri
kwemakungwa hamenoo kuti kunyika ipi , Aida
kutomuroora saka Charles zvaireva kuti paiva
pasisina chake, hanzi akamborwara nedepression
mazuva acho azvaiva zvabva kuitika , hanzi
akatozoita zvekucanceliwa kuti akasike Ku healer ,

Moleen wacho akazouya kubvisirwa akatochata


akaenda nemurume wake , vabereki vake havana
kana kuzombouya kuchurch kuda vainyara sezvo
Charles aiva mwana wekumhuri kwaPastor

Ndakazoti church yapera Moms vava kuita


zvekumhorosana nevanhu inini ndikati regai
ndinovamirira mumota semazuva ose ndipo
pandakaona Brother Charles vachiuya kwandiri ini
ndikaita sendisina kuvaona ndokuramba
ndichifamba kuenda kumota iye kwakutanga
nekugadzirisa pahuro pake achida ndimunzwe ini
kwakungoramba ndakaomesa gotsi chete

Anenge akazviona kuti step iyi ndeye munhu


asingade kumira chete nekuti ndaiva ndawedzera
speed kwabva azondindibata ndatosvika pamota iye
yakewo mota yaiva yaka parker paside peyedu
akabva anozembera mota yake akati

"Handiziye kuti ndotangira papi Miara xaa I'm sorry"

Ndainzwa kuda kutiseka ini pakuti ndimutsamwire


ndakatomuti
"Sorry ndeyei inga wani hauna kumbonditadzira asi
ndinoziya kuti unozonditsvaga kna warasiswa
nevaunenge uchifunga kuti ndivo vari special hanty"
haana kuzotaura chimwe chinhu Moms vaiva vasvika
tikaenda kumba tichirumbidza shoko ramwari raiva
raparidzwa naPastor vedu

Ndakazoti tasvika pamba ndikanomira padoor


paTiara ndikateerera ndikanzwa achichema zviye
zvekutohwihwidza chaiko ndikanyahwaira ndichibva
padoor paye ndikasvika mhamha vari mudining
vatogarira zvavo TV ndikati

"Mhamha Tiara ari kurwara"

Vakanditarisa neziso vakati "wanzwa nani ndizvo


zvaakuudza here"

Ndikavatsanangurira zvese zvandaiva ndanzwa


achitaura pafon ndikabva ndavaudza futi zvekuti
ndaiva ndabva kudoor kwake ndikamunzwa
achichema vakati

"Enda unomumutsa"

Ndakanocker padoor pake akati "zvanzi namhamha


huya "
Akati "vari kudei",

"I don't know she said you should come now"

Akangovhura door rake kwabva tabuda


takaderekedzana aiva akapfeka bottom trousers rake
net-shirt yake dressing yake iyoyo ndiyo yaaiva ava
kungogara akapfeka zvekushama zviye zvaiva
zvasarira kuna Kiara

Takapinda mudining takadungamidzana mhamha


vakati

"Uri kunzwei Tiara" akaratidza kuvhunduka akatanga


akwenya musoro wake Akati

"Ummm mhamha handisi kurwara ini manzwa nani"

Vakaramba vakamutarisa vakati "zvino unobatsirika


sei nhai mwanangu kana uchiti ukarwara hauudze
vanhu vaunogara navo hee"
Akaramba kutaura chaainzwa chacho asi kushop
ndakamurambidza kuenda aiva oswera akarara
kusvika mhamha vazobvunzawo Kiara kana aiziva
nezveurwere hwaTiara iye kwakutanga kugegedzera
zvikanzi

"Ari kurwara uyo ari kubleeder zvatova nema


months akati oooh achijuja ropa non-stop "

Mhamha vakati "iwe akakuudza here zvino waidii


kutaura kare kese handiti tingadai takamuendesa
kuchipatara here "

Kiara wacho kwakutoti

"Ini haàna kundiudza ndakatanga lynxes kunhuwa


muroom yataishandisa kuchikoro madays acho
wakatanga zvekubleeder izvozvo ndakätombofunga
kuti kuda akazama kubvisa nhumbu akabva aora
chibereko..... "

Asati apedza kutaura mhamha vakatanga kuchema


chaiko ndikavabhabhadzira kumusana
ndichivasimbisa Kiara wacho akaendera mbèri achiti

"...zvekuti ari kubleeder ndakazoudzwa


nemukomana wake waanga ava kudanana naye
achitoti iye Tiara aikumbira mari yekunoona Doc "
Mhamha vakaratidza kupererwa kwabva
ndangonocker muroom make Tiara wacho akavhura
as always maziso ake yaiva akatsvuka kuratidza kuti
ambochema, chero neni ndaiva ndakunzwa kuda
kuchema chaiko ndakazomuti "gâdzirira tiende
kuchipatara"

Akaramba akanditarisa achiti "ndiani ari kurwara "

Ndakamboda kuseka asi ndakatoona kuti


ndikamusekerera aigona kutoramba achinyepa kuti
haarware saka takatoita wekuforcer

Takasvika kwaDoctor vakamutarisa nemishina yavo


isu taiva takangogara tose pabench , Mhamha
vaingoti vakagara gara vodzungudza musoro wavo
ukuwo Kiara aisamboratidza kurwadziwa aitoti

"Doc ngavakasike vamwe tava kuda kuenda kumba


tine zvakawanda zvekunoita"

Doctor vakabuda ini namhamha tikamhanyira


kwavaiva asi Kiara akaramba akagara zvake pabench
, Doctor vakazotivhundutsa pavakati.....
*stay tuned*

*end of chapter 16*

*chapter 17 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*

*lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*for comments join this group*

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*
*KIARA*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

aka *lilies of the valley*


💐💐💐💐
Vari kuda buk from 1 pindai mugrup

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 17 seventeen* 🔥🔥

*Tiara*
PaU.Z paiita kunakidza zvese zvichi faya ndichiita
kuchinjanisa vakomana , ndakazosvika palevel
rekudanana nevarume chero vevanhu ndaisazeza

Pane vamwe Lecture vandakazodanana navo


zvekuoengesana asi vaiva nemukadzi wavo
wandaitoziva ,

Taitovimbisana kuti kana ndapedza University Mr


Guyo vachanditsvagira basa zvese nekundi lodgera
room yekugara kwangu ndega ndaiva ndaneta
nekutongwa namai 3

"Ndiwe Tiara here iwe nhai "?

Akabvunza mukadzi waMr Guyo uyo akangokaruka


amira kumberi kwangu yaitova weekend
ndichitobuda mudom mangu, ini ndaimuziva asi iye
ndakatoshaya kuti aiva andinzwa nani

Musi wacho ndaiva ndakatodhinhiwa aitarisira kuti


ndichavhunduka but I didn't ndakatonyatsa kumuti

"Ehe ndini Tiara manga matii"?

Iye kwabva adzungudza musoro wake akati


"Ndini mukadzi waMr Guyo meaning that I'm his
original wife so with all due respect ndokumbirawo
usiyane nemurume wangu "

Akataura ari so cool asingade kuti vanhu vakawanda


vazvinzwe manje ini ndaitozviti handibvire
pamuromo ndaiva napo zvangu ndakatobva
ndamuti

"Murume chibage tinotsokonyorerana mai nhanha ,


hakusisina munhu wemunhu ikezvino ,
wakamuchera pai unomudzorera ndimunocherawo "

Akashama muromo kuratidza kushamisika


nemashoko angu akabva ati

"This is just a warning ramba uchirara naye uone kuti


ndinokuendesa kumwedzi kasingagume kana
kukudonhesa honye kusure ikoko kusinganyare,
bvunza vanondiziva ndiri mwana wemuChawa ini "

Mashoko ake handina kumbomatora serious


ndakatomuti

"Handina basa nekuti uri mwana wemuChawa ini


kana uchigona kuroya sterek wakasiirwei nemurume
, dzidzai kugeza mai nhanha next time usauye pano
uchinditaurira zvekumha*a"
Ndamudaro ndikafambisa ndichipinda muroom
mangu , Kiara handina kumbomuudza zvaiva
zvaitika , iye aingoita zvemadrugs zvake
ndichimuona ini ndaisabata madrugs but doro
ndaimwa hangu nenguva dziri kure

Ndakaramba ndchidanana navo Mr Guyo but day


randakaita sex navo ndipo pakatangira kurwadza
musana wangu, ndakamboshingirira but makaramba
muchirwadza , ndakazofara ndaona ndaenda kuma
periods ndikabva ndaziva kuti raiva jeko

Ropa riye harina kumira kubuda kusvikira pakwana


mwedzi , ndaiva neumwe mukomana wangu anonzi
Claivy ndiye wandakaudza zvekubleeder kwangu
mushure mekunge ava kunetsera sex, ndikabva
ndamuudza nekumukumbirawo mari yekuchipatara
akangondipa 20 chete

Takasvika pakuvhara chikoro ndichingo bleeer


kumba handina wandakaudza asi ropa racho
raitowedzera kubuda rakawanda everyday
ndakatanga kupera zvandainzwa ini munyama
dzangu kuti ndaonda

Ndakatanga kuba mari kushop ndine shungu


dzekuenda kunoona Doc but zvakazodirwa jecha
Miara andirambidza kunoswera kushop ,
ndakangorega nekuti Simba chairo rekufamba
ndaiva ndisisina ndaiva ndava kungoswera
ndakarara pamba

Mhamha vakandibvunza kana ndairwara


ndikaramba zvekuramba zviye ndaisada kuti
vazvizive kuti ndiri kubleeder

Ndakazongoita veku fosewa kuendwa neni


kuchipatara Doctor vakandiongorora wakatanga
kuda kundibvunza zvisina basa hanzi

"Wakamborara nevarume vangani"?

Ndakaramba ndakanyarara zvangu ndaisada


kubvunzwa zvisina basa ndakazovhunduka
paakabuda panze ndichinzwa achiudza vana
mhamha kuti

"Mwana uyu akarasikirwa neropa rakawanda


ndatarisa mumuviri wake hamuna ropa saka
tichambomubaira padrip kuitira kuwedzera ropa asi
handione sekuti zvinoda chipatara izvi mwana
akarara nemurume ane runyoka akakasira kutaura
munhu wacho zvinogadzirisika"

Mhamha vakaramba vakabata hana yavo Miara


akazoti
"Runyoka ndicho chii "

Doc vaye ndokuti "kana tichiti runyoka tinoreva


murume akagadzirwa zvinonyanya kuitwa
nemachawa "

Hana yangu yakatanga kurova ndorangarira


mashoko emukadzi waMr Guyo

Ndakabairwa padrip rikapera within 30minutes


ndikapiwa mapills , kwabva taenda kumba mhamha
vakanditi nditaure munhu wandarara naye ini
nekunyara kuti vanhu vachizoona dhara rakaita
saMr Guyo vaizofungei neni,

Zvikoro zvakavhurwa Kiara akadzokera ini ndikasara


ndiri kumba ndichingo bleeder

Hapana kupera 2 weeks takanzwa kuti Kiara avhura


hombe nenyaya dzake dzema drugs
Hanzi aiva asungwa pamwe nevamwe vake .....

Stay tuned

End of chapter 17
Sorry for short chapter
[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*Vese vari kunakirwa nebook vachinzwa kuda
kucommenter pindai mugroup umu mupe
macomments enyu*

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*
aka *lilies of the valley*
💐💐💐💐
Vari kuda buk from 1 pindai mugrup

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 18 eighteen* 🔥🔥

*Miara*

Zvinhu zvacho zvaingoitika kumba kwedu zvanga


zvava kutotyisa , Tiara aingo bleeder uku achiramba
kutaura murume wacho waaiva akarara naye ,

Kiara akâdzokera kuUniversity asi Tiara akasara


nekuti aitoda munhu anomuona pakuti aiva ava
kurwara ,
Hapanawo kupera mazuva mhamha vakabva
vafonerwa kuti Kiara aiva asungwa , kutaurwa
kwavo zvinonzi Drug raaiva abatwa anaro raiva
dangerous zvekuti aigona kunopedza makore
akawanda ari kujeri

Mhamha vakangodonhawo nebp tikavaendesa


kuchipatara nemota yaSekuru baba Ella vakanga
vazouya kubva kuSouth Africa ivo nemukadzi wavo

Zvinhu zvacho zvaiva zvandiwandira ndaiva ndava


kuti varwere vaviri koti kucourt futi kunyaya
dzaKiara kwaida kuendwa uye kumashops kwaida
zvee munhu ano manager

Gidza ndakamuudza akandibatsirawo nemari yakati


wandei yekuti ndikwanise kukavhawo mabills
ekuchipatara ndichibatsirana nasekuru baba Ella ,

Pakambopera mazuva mhamha vakazotanga kunzwa


zviri nane vakadzoka kumba vakatotanga kuenda
kubasa tichibatsirana kumanager kuti zvinhu
zvidzoke paposition sezvo kwaiva kusina
management yakanaka nekuda kwekuti ini wacho
ndaiva ndawandirwa mazuva airwara mhamha
Pakabuda mari futi kunyaya dzana Kiara
akazoendeswa kucourt akanzi achapika 3 months
mujeri sezvo nyaya dzake dzaiva dzawana maLawyer
ajva amumiririra akatobhadharwa nasekuru baba
Ella,
Mhamha vakamborwadziwa vachitadza
kuzvigamuchira kuti mwana wavo atova mujeri ,
vakambotanga vachiramba chikafu dzimwe nguva
waiti ukada kuva forcer kudya vaitanga kuchema
vachiti

"Unoda kuti ndidyirei iye mwana wangu ari kujeri


heee ndinoziva kuti adya here tea iyoyo yaunondipa

huuu 😭😭
iye aimwa here mwana wangu Kiara huuu huuuu
"

Zvaishungurudza zvekuti ini wacho ndaitombopota


ndichichemawo , Dzimwe nguva mhamha vaigona
kungotanga kugomera kuratidza kuti vane shungu
dzakawanda asi vaizosimbiswa nasekuru baba Ella
avo vaiva vava kutogara nesu chero hazvo vaiva
vakavaka imba yavo kuD.Z full house ichitogara
malodger

Tiara aingovapo pamba neropa rake raingo juja


zvisina muganhu ,Takazama madoctors akawandisa
asi hapana chakachinja, vamwe vakati endai
munotenga guchu kumbare , ndikamhanya
kunotenga akamwa achisunga kumeso achiratidza
kuvaviwa asi hazvina kushanda futy, vanhu
vaingotaura kuti zvinotoda munhu wacho aiva
amusota kuti amurape , uku iye wacho airamba
kutaura munhu wacho

Ndakatsvaga idea yandingaita kuti ndimubatsire asi


ndakashaya , ndakazofunga kutuma Gidza kuti
andibvunzire kushamwari dzaTiara kana pane
murume wemunhu wavaiziya waaidanana naye ,
haana kunonoka neAnswer Gidza akatoswera
andifonera achi
📞 Basa rawandituma ndaita ndaudzwa naChantel
kuti Tiara aidanana neumwe Mdhara ano teacher
pano anonzi Mr Guyo saka ndazobvunza vanhu
ndikanzwa kuti mukadzi Wacho muChawa I'm sure
ndiye akamugadzira chete

Ndakanzwa kutya chaiko nyaya yanga isina kuchipa


iyi ndakangotenda Gidza ndikadzokera nefeedback
kuna mhamha naSukuru baba Ella avo vaiva
vachangobva kusvika vschibva kunoona Kiara kujeri
ndakangovaudza zvaivapo mhamha
vakangodzungudza musoro wavo Sekuru ndivo
vakazoti

"Machawa anonetsa vanhu ivavo vanotyisa asi


hapana zvatingaite saka iwewe neni totomukira kuUZ
tonotaura nemurume iyeye iye ndiye achaziya kuti
achataura sei nemukadzi wake wati anonzani
murume wacho "?
"Hanzi vanonzi Mr Guyo plus kana tikasvika Gidza
anotiratidza office yavo "

Ndakazonobika mhamha vakaramba kudya futi


hanzi navo "ndinodyireiko ini ndakazvara vana
vatatu mwari kwabva vaona zvakafanira kuti
chibereko chacho chibve kureva kuti vana vatatu
vakwana , zvino zvandasara nemwana mumwe wani
nhai mwari "

Ndakatryer kuvanyaradza vakati "unodaro hako


nekuti Kiara hauna kumuona ndabvako nhasi
Mwana wangu awunduka kuita kunge chigure
chaicho"

Mataurire avaiita aiva funny zvekuti ndakapotsa


ndaseka asi nekuda kwesituation yaivapo
ndakangozvishingisawo kunyarara

Tiara hatina kumbomuudza zvataironga


zvekunotsvaga murume waainzi aidanana naye

Ndakaenda kunorara ndichangopinda muroom


mangu fon yangu yakatanga kuringer and it was
Charles ndakamudeera ndakaneta neta akati
"'Hi babies I only care about you , xaa ndanzwa zvese
zviri kuitika kuitika kumba kwenyu , ndangofona
kuti ndikuti sorry "

Panguva yaakanditi sorry ndakanzwa


kutonyevenuka ndaitoda iri hug chaiyo nekuti ndaiva
nestress

Ndakamuti "thanks hako"

Iye kwabva ati "I love yu babe " akataura nevoice


rake riri soft

"I love you too"

Ndakaruka mdabvotomoka ndikasara ndobata


muromo wangu asi mashoko aiva atobuda kare ,
akatanga kundiyemedza achindiudza masweetie
nothing kusvika ndarara ungamboti ndini here uya
aipika kuti chero zvikadii Charles handichamude
mulife mangu , asi aiva atodzoka mulife mangu
sekutamba sekuseka , zvese zvekuti aindida kana
arambwa nemababie ake ndakazvirasira kure
ndikatorara ndanyura murudo all I need was comfort
panguva yacho ndaitoda kana munhu
anondimbundira ondiudza kuti (everything is going
to be fine)
Takamukira kuUZ nemota yaSekuru , mhamha ndivo
vakaenda kubasa musi wacho , uyuwo Tiara
akangosara pamba semazuva ose tiri muroad
zvikanzi nasekuru

"Nhaiwe tosvika tichiti chii unoziya imhosva here


yatiri kuda kupara iyi kuri kwedu kumusha
kuMasvingo kunonzi kupumha munhu uroyi"

Ndakatanga ndakaseka ndikati " imi Khule ndimi


mune confidence dzekutaura munomuti iwe
mudhara tauya kuti uudze mukadzi wako arape
mwana wedu waakaroya right now "

Takatarisana naSekuru tikatanga kuseka zvedu


nhamo serugare taisamboziva zvaiva zvakatimirira
kumberi kwataienda

"Vanhu vanokunyepera kah vachiti wakanyarara iwe


ndiwe munhu anotaurisa manje ndakubata"

Vakadaro Sekuru tava kutodzika zvedu mota nekuti


taiva tatosvika paUZ , ndakangoseka uku
ndichitofonera Gidza ndichimuudza pandaiva uyo
akabva atouya nguva idzodzo akati director kuOffice
yaMr Guyo
Asekuru vangu ndivo vaiva mberi ini ndichitevera
tikanocker tikanzi "come in"

Takafamba tichipinda asi ndakambovhunduka


ndawana makagara umwe Mudhara ane zidumbu
uku akasviba kuti tsvaa iyo face yese yaiva yakaita
kupoteredzwa nemazindebvu akachena kuti mbuuuu
kuita kunge aiva azorwa upfu

"You can take a sit"

rakadaro ziMudhara riye sezvo pese


pandairiongorora ndaiva ndichiri ndakamira tose
nasekuru

Takakwazisana paye Sekuru vakabva vatopinza


nyaya yavo vachiti

"Eeh umm iiii" ndakamboda kuseka nekukakama


kwaiitwa nasekuru vangu vakazongoshinga kutaura

"Ndimi Mr Guyo right"

Mudhara uya kwabva angogutsurira musoro


ndikanzwa kumutya Tiara aiva nezvivindi chaizvo
airara sei nedhara yaiva yakachena mberi neshure
iyoyo
"Ini ndiri Sekuru vaTiara uyu wamunoona
wandinaye ndisisi vake , chatisvitsa pano mwana
wedu arwara kumba uko ari kubleeder saka
tambozama zvipatara zvaramba takafambawo naye
akanzi ane runyoka saka takazobvunza mwana
akataurawo Zita renyu mukuru kuti ndimi manga
muri kufambidzana naye , zvino tikati hatingarege
mwana achifa ndizvo zvatafambira kuti
mutitaurirewo nemudzimai wenyu kana achida
kuripwa hake kuti asunungure mwana"

Dhara iye yakaratidza kuvhunduka asi yakazoti

"Tiara akambindiudza zvekurwara asi iye


aitokumbira mari yekuchipatara zvino
ndakatomunyima ndafunga kuti pamwe imaths
dzekuda kudya mari yangu ,asi ummm nyaya
yamataura ndainzwa and mukadzi wangu
handiurambire akambogadzira futi imwe
Gerofurendi yangu yaigara kuWadzana uko akapotsa
afa nekuti aiva ava kudonha honye chaidzo, ini
pachangu ndinotomutya "

Hana yangu yakarova pavakataura zvekufa , ndaiva


ndisati ndava ready nekurasikirwa nemwana wamai
vangu

"Saka toita sei "


Vakabvunza Sekuru vachiratidza kupererwa
Baba vaya vakati

" plan itori pano ndokupai house number dzekumba


kune mukadzi wangu imi motakura Tiara
monomusiyira ikoko matoita zvekuramwa , iye
achatya kusungwa nempurisa kana munhu azofira
mumaoko ake saka anobva umurapa"

Ndakambofunga kuti inoshanda here plan iyi kana


kuti tangopedzerwa nguva yedu , Tikasvika kumba
tikaudza mhamha zvaivapo vakamboda kuramba
vachiti
"Ah imi ko akanopedziswa Mwana wangu mune
shuwa kuda kunoramwa mwana wangu kumuchawa
here imi "

Takàzomuudza Tiara wacho akada kuramba ramba


asi Sekuru aivatya takabva tamutakura tikatomuti
apretende kunge ari kurwarisa tikatevedza
madirection ataiva tapiwa ekuenda kuSouthleapark
kwacho

Takasvika tikavhurirwa door nagateman pamba


pacho paiva pakanaka zvapo , tikatambirwa neumwe
mukadzi aiva wechikuru aiva neface yaiva
yakashinga uku asingaratidze kuva type iye inoseka

Sekuru ndivo vakangoti


"Eeh ambuya takuvigirai gerofurendi yemurume
wenyu iyi iri kurwara nerunyoka saka kana vadzoka
muvaudze kuti mwana wedu ava mumaoko enyu
kana afa Jeri munoriziva mese"

Sekuru vaiva varova serious yavo yandaivaziya nayo


chaiyo, ndikatarisa Tiara wacho aingohuta ari
pacorner ndikashaya kuti kuhuta uku ndekwekutya
kusara here kana kuti aiva ava kuwedzera kurwara
hake

Hatina kupa mai vaye mukana wekutaura


takatosimuka tichisiya munhu wedu uku tichirova
pasi nasekuru vangu

Ndakasvika kumba tikaimba tiri 3 ini namhamha


nasekuru tikanamata pamwe chete takabatana
maoko izvi taiva takazviguma kare kunamata
sefamily

Ndakazonorara ndikazonotanga nemabooks angu


ndikapedza ndikafonera Charles tikataura semazuva
ose kusvika ndazobatwa nehope....

*stay tuned*
*end of chapter 18*

*chapter 19 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*

*lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*Vose vari kunakirwa nebook vari kuda kupa
macomments pindai mugruop umu muise
macomments enyu makasununguka*

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*
*KIARA*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

aka *lilies of the valley*


💐💐💐💐
Vari kuda buk from 1 pindai mugrup

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 19 nineteen* 🔥🔥

*Tiara*
Ndanga ndava kugara ndichichema nguva dzengu
zhinji ndaitogara ndakazvivharira muroom mangu
ndaisada zvekuramba ndichibvunzwa zvemurume
wemunhu wandaiva ndakarara naye

Ndakazosvika panguva yekunzwa kuti this is


becoming serious ndikambogaya kutaura nezva Mr
Guyo asi nyadzi dzaindikunda zvangu ndaizonyarira
pai kana vanhu vaizoona Mr Guyo vacho
nekuchembera kwavaiva vakaita

Gogogo go-go-go

Ndakanzwa nock padoor pangu apa ndaizviuraya


neuchema zvangu ndiri muroom mangu , ndaiva
ndatarisana nerufu chairwo ndaitoona pasisina
upenyu pandiri .

Ndakagadzirisa pahuro pangu ndikati


"Ndian"

"Muka imomo uuye nemornach rako nehembe toda


kunokusiya kumba kwedhara rako pano unozodzoka
kana wapora"
Hana yangu yakarova ndanzwa riri voice rasekuru
vaitaura vakamira padoor
Ndaiziva kuti vaisada kuitiswa nharo asi apa
ndakakoka zvivindi ndikavati

"Dhara rangu ripi ramuri kutaura Khule handina


kwandiri kuenda ini"

Ivo vakatanga vaseka kakuseka kaye kanoitwa


nemunhu ari kunzwa hasha kwabva vati

"Usada kundijairira iwe Tiara buda imomo


nemornach rako now tiende kwaGuyo uko kna riri
barika wotonoridzidzirira ipapo , ndatopedza newe
ndoda kusvikirana newe kudining izvezvi"

vakabva vatofamba vachibva padoor pangu


ndikasara ndikati kwanyanu pabed ndomhanya
kuturunura monarch kwabva ndaita hembe dziye
dzekupfonyera ndisingambopeti ndaitya kutangirwa
kusvika kudining ndikarakashwa zvangu nebhandi,
ndakadhonza mornach riye ndichienda kudining uku
ndichiita zvekumhanya.

"Let's go enda unoisa bag rako kubooty uko"

Vakadaro sekuru neface yavo yairevesa ini ndainzwa


kuda kuchema chaiko,
Ndakaona Miara oteverawo kumota akasvika
achipinda asina kutaura chinhu , ndakanzwa
kumuvenga Miara ndakazviziya chete kuti ndiye aiva
responsible pakutsvaga zvekwaMr Guyo

"Eeh musikana kana tasvika uko wotononyepera


kurwara serious nekuti tiri kutosiya taita
zvekukuramwa hapachina kutaurirana pakadai "

Takasvika paye tikavhurirwa gate tikapinda sekuru


vaka parker zvakanaka naka
Ivo vakadzika naMiara ini ndikasara hana yangu
yaiva yava kuita kurova uku wet ichiita kupisa
muzvidya umu

Miara akabosimudza mornach achiribudisa mubooty


kwabva auya pawindow zvikanzi

"Wanamira here "

Ndikamutarisa neziso reruvengo uku ndichitodzika


mumota muya

Takavhurirwa door ndikabva ndasanganidzana


maziso nemukadzi waMr Guyo ndipo pakachitañga
kushaker body yangu manje ndaiva ndakunzwa
senge ndiri kupindwa nechando zvoti wet futi yaiva
yandi presser

Sekuru vakangotaura zvavakataura kwabva


vatobuda vasina kumirira mhinduro yemukadzi
waMr Guyo ndakanyatsa kunzwa mota ichimutswa
ndikademba kuti dai pasi pangokwanisawo
kundimedza ndanyura zvangu ndaisakwanisa
kutarisana nemukadzi uyu tiri vaviri

Ndakasimudza musoro wangu ndichimutarisa


mukadzi waMr Guyo wacho ndikakasika kudzosa
maziso angu pasi ndaona akanditarisa neziso
rinotyisa .
Pakambopera katime akanyarara kwabva azoti

"Waiti hatizosangane futi here "?

Mubvunzo wake wakandivhundutsa handina


kukwanisa kudeera akabva ati

"Hoo uri kutonyarara hako uku ndiko kunonzi


kuzvisikira moto muziso kwawakaita uku ,ini ndiri
muChawa akakwana and hapana chinombotyisa
pakudya nyama yemunhu saka iwe zvatonaka hama
dzako dzauya dzikakusiya pano kuti ndikupedzise
rega nditonoisa poto yemvura pamoto ndawana
usavi nhasi "

Hana yangu yakawedzera kurova ndakamboda


kupfugama ndokumbira ruregrero asi ndakashaya
Simba mabhonzo angu ose aiva akati rukutu rukutu .

Mai vaya vakabva vasimuka pasofa pavaiva vakagara


vonanga mune imwe room yavakabuda vakabata
zipoto nofunga size 12 chaiyo vakauya kuzomira
kumberi kwangu kwabva vatora remote vachiikanda
pamakumbo angu vakati

"Sana kuona TV iyi ndakumbonoisa mvura pastove


yekuti ndigokuundurisa nayo "

Ndakanzwa kutya wet iye yaiva yandipresser


ndakangoinzwa kudziya ndikaziya kuti yaiva
yazobuda yega , ndakafunga kufonera mhamha kuti
vauye vanditore zvavo ndaiva ndotya kudyiwa
nemuchawa uyu
Ndichingobudisa fon yangu mupocket kudai
ndakabva ndoona mukadzi uya otobuda kudzoka
mudining achibuda mandakafungira kuti kuda maiva
mukitchen macho maaibva kuno boilisa mvura
yekundiundurisa akabva asvika akanenedzera ruoko
rwake kwandiri ini ndikaramba ndakasticker kwabva
aita fon yangu yekubvuta zvikanzi
"Wanga wafunga kufonera ani hee , kana ari
mapurisa usatambise zvako nguva yako ndakaromba
zvekuti handisungwe nemupurisa ini ndogona
kuchinja kuita Garwe ndikakumedza izvozvi une
nharo here"

Ndakasira kudzungudza musoro wangu uku


ndowedzera kuzvipeta ndichipinda mucorner uku
misodzi ichichururuka ndaiona pangu pandiperera

"Simuka tione mvura hako yaboila ndoda


kukuundura kuchiri kwakachena handizode
zvekudya nyama isina kuchena , mira ndinotora
kasaga kekuisa matumbu ako"

Ndakavhunduka veduwee mukadzi aityisa zvake


iyeye , pandakasimuka kudai wet iya kwakuchitanga
kuverera nemakumbo uku skirt yaiva yati
dhabhanana kutota

Ndainzwa kuzvinyarira mai Guyo vacho vakabuda


vasina zvavataura vakadzoka vakabata bucket
nemop vakati

"Kurumidza kumoper maziwet ako chapa yemunhu


hautonzwe kunyara hre ipapa unozviwetera uri
mwana wegrade 0 here iwe"
Ndakangotora mop riye ndikamopa ivo vakaita
kundirindira

"Dzokorodza futi matiles angu haana kuchena aya"


vakadaro pandaiva ndava kufunga kuti ndapedza
kumoper ,Dai vaiva mai 3 ndaivapindura rough asi
type yemunhu wacho yaitozeseza kana kutarisa
chaiko ndakangodzokorodza uku ndichingochema
chete vakati

"Uri kutochema hako haaa hausati watanga kuchema


kuzoti pandichakuundura ndipo pauchaona kuti
hauna kungwara"

Ndakaramba ndiri zii kwabva vazoti


"Takura bag rako iro upinde muroom yawakatarisana
nayo iyo ubve wageza zvekushandisa zvirimo
mubathroom iri mukati , make sure wachena
handide kuzodya nyama inonhuwa wet"

Ndakafamba nemornach rangu ndonopinda muroom


iya uku ivo vatakurana nemop nebucket riye
vachibuda panze

Ndakasvika muroom macho ndikatoona maiva


makanaka mune bed necoach zvese nedressing table

Ndakageza zvangu ndichichema mubathroom macho


maitova neshower ndikanopfeka ndisina kuzora
mafuta ko ndaigozorerei hangu ini ndaida kudyiwa
hangu nemukadzi waMr Guyo

Pasina nguva ndakanzwa mota kutinhira


ndikadongorera nepawindow kwabva ndaona iri
Mota yaMr Guyo , ndakangobata face yangu
ndichinzwa kuti pangu pandiperera ndaitofunga kuti
Mr Guyo vaiva vazouya kubatsirana kundiundura
mukadzi nemurume

Ndakazonzwa mavoice evanhu vaitaura mudining


ndikambozama kuteerera but vaivaurira pasi asi
ndakazonzwa mai Guyo vakwidza voice ravo vachiti

"Arimo muguest room umo hamenoo zvenyu


akamuka akafa mwana wevanhu jeri munoripinda
machembera dhara risinganyare"

Ndakanzwa Mr Guyo vacho vachiti

"Ndiwe muroyi ndiwe unosungwa handiti ndiwe


wakamuroya here"

Ivo vakati "handina kumuroya ini ndakagadzira iwe


murume wangu for my security reasons iwe ndiwe
wakatadza kudzikamisa kadora kako"
Vakashaudhana ini ndaingova muroom muya
ndakangomira , vakazouya mai Guyo uku
vachipupira nehasha vakati

"Hanty unoona zvako zvekunonoka ipapa murume


wangu asvika ndisati ndakuundura , kasira
kunditevera kuno tione ,

Ndakamhanya ndikavatevera ndaitotya kana kupiwa


gwati chairo
Ndakanosvika mudining ndikagada pasi
zvakandiremera kumhoresa Mr Guyo mumaoko saka
ndakangoti "makadii zvenyu "

Ivo hamenoo kuti aiva manyemwe ekuona mukadzi


wavo here kana kuti vakabva vati

"Unoti makadii vaani"?

Mubvunzo wavo wakandi confuser ndikaramba


ndakanyarara zvangu vakazoti

"Handiti hama dzako dzauya kuzokusiya pano kuti


uzoita mukadzi wangu here chitoti makadii Dadie"

*stay tuned*
*end of chapter 19*

*chapter 20 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*

*lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*Vose vari kunakirwa nebook vari kuda kupa
macomments pindai mugruop umu muise
macomments enyu makasununguka*

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*
*KIARA*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

aka *lilies of the valley*


💐💐💐💐
Vari kuda buk from 1 pindai mugrup

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 20 twenty* 🔥🔥

*Tiara*
Ndakanzwa kubitirirwa nehasha nemashoko amr
Guyo shuwa munhu anganditi ndimuti dady inini for
what perpose ndaiva ndisina kana pfungwa
dzekuroorwa navo, ndakaramba ndakavanyararira
zvangu uku ndakatarisa pasi vakazoti ,

"Eeh pano tinongogara tiri 3 , ini nemukadzi wangu


then mukomana wekugedhe anogara kucottage uko
iwe ndiwe watova wechi4 , vana vedu vari kumabasa
vamwe vari kuzvikoro asi vamwe vanombouya
maweekends"

Ndaishaya chavaindiudzira izvozvo zvaiva nei neni


hangu ndakangoti "horait"

Mukadzi wacho akazosimuka akapinda mukitchen


kwabva abuda akabata dish hombe uku ane zibanga
riya mumaoko akati

"Mainini huyai kuno"?

Ndakangofunga kuti ava kuda kunondicheka hake


musoro panze ondiururira ipapo, ndakatanga futi
kushaker ndikatarisa Mr Guyo ndikaona vakatsikira
pafon pavo ndikatarisa Mai Guyo ndikavaona
vakanditarisa neziso rinoreva zvakawanda ndega
ndakangosimuka fast fast ndomhanya kuvatevera
vakabva vati

"Handidi kudeedza munhu ka2 usafe wakazvizama


zvawaïta apa handizvifarire"

Vaitondiita semwana wavo mai ava dai kaiva kare


kangu ndaivatukirira

Takapota kuseri kwemba kwaiva negarden kozoti


chikwere chehuku maiva nehuku dzakawanda
vakangokiinura vakati "pinda umu ubudise huku 6 "'

Kukura kwangu kwese huku ndaidzitya nekuti hatina


kumbobvira tagara kumusha asi panguva iyoyo
ndaiva ndisina option ndakangopinda ndichibudisa
huku dzacho ndichivatambidza vakamira padoor
Ndakabuda muchikwere muya apa mainhuwa matosi
ini ndaizviita musalad ndakabva ndasvipa pasi
vakanditarisa vakati

"Uri kusvipei chinosemesa ipapa , tora banga iri


ucheke huku idzi uchiisa mudish umu"

Havana kumbomirira answer yangu vakabva


vatofamba vachipinda mumba ndikasara
ndichitambudzana nekucheka huku dzimwe
dzaipfaura dzondizadza ropa daisazvigona nekuti
ndiyo yaitova first time yangu kuzviita
Vakazonobuda nezipoto riye ravaiva vaisa mvura
vachiti ndeye kundiundurisa ndakazozvibatanidza
ndega ndikatoona kuti mai ava vanenge vaingonyepa
vachida kundityisa chete

" Chiundura dzose dzichene be fast "

Ndakavatarisa ndine confusion ivo kwakutopinda


mumba umo mavakabuda vakabata chair yavo
kwabva vagara vari pafon pavo ini ndichiundura
huku dziya , Ndikaona kuti mai Guyo vaiva
vàvakutofunga kuti vawana mushandi wavo
wekushandisa ivo vakagara zvavo , ndakatanga
kunzwa kuzarirwa neshungu ini kumba kwedu
ndaiva ndisati ndamboziita zvekuundura huku asi
ivo vakakwanisa kundiitisa zvehuku dzavo ivo
vachitosekerera zvavo vari pafon yavo ,
ndakangokaruka ndava kupfikura nofunga ivo
vakazvinzwa vakati

" unochemei hanty waizviita shasha here iwe


pandakauya kuUZ ndichikupa warning
wakandipindura rough uchizviita gamba kaah iwe
manje pano uchatsvukira handiti watouya pabarika
neni here shanda ndiyo imba yacho iyoyi"

Ndakaramba ndakanyarara ndichipukuta misodzi


yangu, kunze kwaiva kwatodoka vakabva vasimuka
vakandisiya parima vakati
"Kana wapedza uuye nadzo kukitchen ndava
kunobika "

Ndakasara ndichinetseka kuundura huku mudima


ndisina kana light ndakazopedza kwakutakurana
nedish riye ndichipinda mumba ndikànanga
mukitchen mandakasvika Mai Guyo vachitobika bika
vakati

"Cutter huku idzo uite macutts mahombe chaiwo "

Ndaiva ndisati ndakambocheka macuts ehuku


ndaingoona Miara achiita hanty ndiye aiva mushandi
wedu here ini naKiara tairamba

"Handisati ndambozviita ini"


Ndakavaudza vakandidzidzisa 1 dzimwe 5 dzacho
ndikadzicuter ndega ndikanzi "ibva wageza nyama
iyoyo uise mufridge umo "

Ndaiva ndava kunzwa kuneta ndakati regai


ndigarewo pamachair aivamo mukitchen macho
ndikanzi " eeeh eeeh amainini hatigare zvee hauna
kuuya pano kuzogara maplates ayo akakumorira ari
musink imo ngaasukwe tione"

Dai vaiva mai vangu mai 3 ndaivarambira ini


ndainzwa kuneta asi ndakangosimuka kungonosuka
maplates aya apa ngaawande maplates acho,
ndakazopedza ivo vaiva vätopedzawo kubika vava
kutopakura vakati

"Ooh endesa sadza raBoston iri "

Handina kumirira kuudzwa kuti Boston ndiani


ndakangonanga kucottage ndikanowana akatogara
panze pachair achitobaya baya fon yake ndikati

"Maswera sei ndatumwa nefood yenyu"


Iye pakuti atore chikafu chake akatanga
kungonditarisa tarisa hanzi naye

"Call me Boston , asi ndiwe new maid ainzi achauya


hey and nezvauri hauna kumbofitwa nekuita maid
wena ummm apa wakatsvukira, yah apa ndatowana
babie"

Boston wacho zvaraitova basa chokwadi munhu


kutoda kundibata dama rangu ndakamuvhazururira
kure uko ndikagadzika plate yechikafu chake pasi
ndikafambisa ndichida kupinda mumba iye akati

"Chero ukaita nharo ndichangokukwir* chete "

Ndakanetseka ndega ndichishaya kuti paiva pamusha


rudzii pane vanhu vangori weird kubva kuna mai
vacho kusvika kuna gateman
Ndakazodzokera mumba ndikawana baba naaMai
Guyo vachitodya vakanyararidzana ini ndaitonzwa
kuguta nekuti appetite yaiva yanditiza

Ndakangonogarawo pachair ndikanyobvora


nyobvora chikafu chiye , baba vemusha
vakapedzawo kudya vakasimuka ini ndaiva ndaiva
kugeza maoko mai Guyo vaye vakati

"Pano hapana mutemo wekusiya sadza amainini


dzoka udye sadza iri ripere "

Mukadzi aiva neutsinye zvake iyeye


ndakarishingirira ndikaripedza zvikanzi "good enda
unotora plate yaBoston uuye usuke handina maplates
anorara musink ini"

Ndainzwa kusvotwa ndikasvika kwaiva naBoston


Wacho ndikati
" ndauya kutora plate"

" ummm voice rako rakanaka huya umbondipawo


kiss , ndokupa mari "

Ndakaramba ndakamutarisa ndaisada nemashoko


angu zvangu asi ndakazofunga kuti aigona kundipa
mari ndikakwanisa kuzotiza pamba apa plus
ndaizomukumbira fon ndofonera mhamha vangu
vouya kunditora kundibudisa mujeri mandaiva umu
"Nhaiwe musikana uchiri kuitei panze ipapo , iwe
Boston unoda kumitisa futi sezvawaaita Melody here
,manje uyu Mukadzi waBossy vako wechi 2
chimbozvizama zvako zvekusagona kuvhara zip uone
kuti unofa wakamira sechibhorani"

Vakadaro mai Guyo vakamira paverranda, iye Boston


wacho akakasika kuti "sorry Madam "

Ini ndakangofambisa ndichinopinda mumba


ndotanga kusuka ivo vakandirindira vakagara
pachair ndikapedza vakati " huya urare muroom
mune bag rako umo "

Ndakapinda ivo vakatevera uku vakabata peck yema


pads vakaikanda pabed vakasiya vandiratidza
mablankets andaizoshandisa kwabva vatora makey
vakandikiira nekunze hamenoo kuda vaitya kuti
ndaizomuka ndakatiza

Handina kumborara ndichinetseka nepfungwa


ndaironga ndichirongonora ndakademba pamwe
nekunzwa kuvenga zuva randaiva ndakaonana
narMr Guyo ,

Ndakatoona kuti mukadzi wavo aiva evil kwete


zvekunyepera asi aitoroya chaiko , hope dzakanetsa
kubata apa dai ndaiva nefon ndaimbovarairwa nefon
zvino yaiva yatorwa nevagoni
Ndakzongobiwawo nehope ndikazopepuka hamenoo
dzaiva nguvai ndikanogeza ndibva ndachinja
ndkabuda panze ndikasanganidzana navo mai
vemusha vakanditi

"Idzi hadzisi nguva dzekumuka mai nhanha nhasi


ndauregerera but mangwana unomuka wocleaner
marooms ese nekutsvaira yard then huku dzinoda
kufeedwa uko "

Ndakarohwa nehana nekuda kwemabasa


andairongerwa aya ndaiva ndava kutoitwa maid
sekutamba.....

*stay tuned*

*end of chapter 20*

*chapter 21 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*
*lily loves you all*
[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*Vose vari kunakirwa nebook vari kuda kupa
macomments pindai mugruop umu muise
macomments enyu makasununguka*

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*
aka *lilies of the valley*
💐💐💐💐
Vari kuda buk from 1 pindai mugrup

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 21 twenty one* 🔥🔥

*Kiara*

Life yekujeri haina kuchipa hama , taimutswa kuseni


kwega kwega tichidirwa mvura inotonhora , apa
ndakaita munyama kuti yaiva season yechando
,bvudzi rangu rakagerwa taigara tine mazuda ,
Waitoona wega kuti zvasiyana nekalife kepaUZ
kandaiva ndajaira kunopiwa rice and chicken kuDaks
ndodya hangu
Chikafu taipiwa sadza necabbage ana soup yebeans
handingamboti nebeans nekuti waigona kuwana
kana beans 3 chaidzo , ndakambotanga ndichirega
kudya ndichisema asi nzara inozongokutuma yega
kudya

Mhamha nasekuru baba Elli ndivo vainyanya kuuya


kuzondiona ndaitofara musi wavaiuya nekuti
ndaiziya kuti vaindivigirawo chikafu chiri nani ,
ndaitodya vachiripo nekuti ndaizosara
ndichichitorerwa nevamwe vanhu kadzi vaizviita
mabossy emujeri vaitora chikafu chevamwe
nekushandisa vamwe , chero kukanyanya kutonhora
zviye taitoziya kuti torara tisina magumbeze
tatorerwa nemaBossy
Taiendeswa kumunda uko kwatainoshandiswa
semadhongi tichisakuriswa kana kugoboreswa miti ,
apa tainzi kana tiri kusakura ukangosimudza musoro
uri kusangana neshamhu vanhu vacho vaiva vasina
kana tsitsi uye vaistarisa kuti munhu kadzi
kwaingova kurakasha chete

🔦🔦🔦🔦
*rumbidzwai jehovha mwari makanaka ,
rumbidzwai Jehovah mwari makanaka , haaa
rumbidzwai Jehovah mwari makanaka apo pacalvary
mafira isuuuuu*

Yaiva iri Sunday taiva tava ready kuita church service


semazuva ose paiuya maPastor akasiyana siyana
from different churchs tichiparidzirwa shoko
ramwari
" hallelujah hallelujah , ini ndinonzi Pastor J
Mashumba from Seventh Day Adventist Church
ndauya pano kuti ndizoparidza"

Vakambonyara pastor vaye vachipa vanhu mukana


wekuombera maoko vakazoti

"Oky tisingade kupedza nguva nhasi ndinoda


kuparidza about changing yourself, hama dzangu
kupinda mujeri hazvireve kuti watova nhinhi kana
kuti wadzokera kunze uko wonodzokorodza kuita
mabasa akaipa Mwari anokudai mose ,uye mwari
anoita kuti munhu uchinje kusiya zveNyika munhu
wotevera jeso "

Mharidzo yapastor yakandibata bata zvekuti


ndakangoona misodzi ichiyerera yega
vakazotinamatira vamwe vaibuda mademons vachi
manifuster vamwe tisuwo taingonamatirwa
tisingadonhe kana kumover

Church yakazopera tikapiwa umwe neumwe bible


rake , ini ndakazviudza kuti I have to change myself
nguva dzangu zhinji ndaiva ndava kugara
ndichiverenga bible rangu
"Hes kani khedha"

Akandidaro umwe mukadzi aiva leader wemucell


medu ndiye aizviita bossy uku ari ngochani aiita basa
rekurara nevamwe vakadzi achiti kana anenge
aramba aimurova kana kumutorera chikafu

"Eh bossy muri sei"

Ndakamudeera mukadzi uya akaramba akanditarisa


ini ndikatanga kunamata nechemumoyo kuti asave
abatwa nemweya wekundiita mukadzi

"Ndikumbirawo kukuona manheru kana vamwe vose


varara"

Haana kumbomirira mhinduro yangu akangofamba


kubva pandaiva ndikasara ndikazviudza kuti handisi
kuzoenda kana achindirova ngaandirove zvake

*Gidza*
Mazuva aifamba achitoita maweeks maweeks
achifambawo kunoita mwedzi , mwedzi ichifamba
ichinoita makore , life ichitoenda mberi

University life yaiva yava kunakidza manje apa mari


ndaiva nayo yekuwanda ko hanty ndaiva landlord
here .

Mababie aisava ekutamburira aiita kuzvikandira


pandiri ega , ndakanga ndatova chibaba chepaUZ
ndaitoverengwa kuMbinga uku mota ndichiita
dzekuchinjanisa ndaiti PA university pedu pakanzi
pane party ndaiita kumwaya maUZ mababie
achinhonga, ndakangotanga kutoita mbiri sekutamba
sekuseka vanhu vava kutonditi Boss G
munovaremera pano paUZ

Maparents angu ausazviziya zvese izvozvo nekuti


vaisazvida zvemunhu anorarama life ine show off
mukati , ndaiva ndava kutevedza mashows ema
artists ndichingoita zveku hire mababy ekunowainisa
ndomapa Mari, Doro randakakura ndichirambidzwa
kumwa namai Nelly ndaiva ndava kuita
rekudhudhudza pasina anondi controller

Ndakazodanana neumwe musikana ainzi Brenda ,


aitaurisa zvaibhowa but ndaimudira kunzwisisa aiva
ava kutoita maduties emukadzi wangu ,
kundiwachira obva aayina dzimwe nguva taitorara
tose mudom mangu ndorara ndichimushandura asi
protector ndaipfeka ndaitya kuzorwa chirwere
ndaisamu truster Brenda wacho semunhu wandaiva
ndangowanawo riri gaba

"Sweetie fon yako iri kuringer iyi ndiani akanzi


Chocolate mufon mako heee"?

Akabvunza Brenda uku akabata fon yangu


achiratidza kutsamwa ndikamuti

"I friend yangu hunza fon yangu Brenda"

Pamuromo aiva napo zvake munhu wacho akabva


aramba nefon iye kwabva yakata ndikanzwa
mazihasha ndikamupa gwati riri strong akabva
akanda fon iya pasi uku achibata face yake nemaoko
maviri ndikamunongedzera ndikati

"Uyu munhu anonzi Choco uyu ndiye zvese zvangu


saka kana uchindida tanga wadzidzira kufarira
munhu iyeye , handis kuti musikana wangu asi
ifriend yangu kwatabva kure
haungambozvinzwisise"

Aiva atsamwa Brenda akangoridza tsamwa akabuda


akasiya arovera door zvehasha nechemumoyo
ndikati enda hakozve uku ndichito dialer #dzaMiara
📞 helloe asahwira ko zvakatanga riini zveku ignore
call yangu

📞sorry bestie ndanga ndichimbogeza xaa


📞olk bhururu ndanga ndichida kungonzwa kuti uri
sei hako , ndabva kufonerwa naNatty

📞 eeeh mukandinyeya kah naNatty wako


muchandiuraya vanhu imi ushamwari hwenyu
ndehwei chaizvo

Takataura zvakawanda tikatanga kuwanzirana


ndikamuti

📞hsusati wasakara here musoro


Iye akati

📞 ndakabva kurukiswa naChale hanty ndakakuudza


kuti takadzokerana here

Ndakamuti

📞 haaa kutokangamwa ndanga ndajaira kuziya uri


singuru zvee ini, kuno kwava nemuroora ndichaita
kuti muonane paholiday apa,

Yakazokata tanzwa nekunyeya vanhu , naChoco


ushamwari hwedu hwaiwedzera day by day ndaiva
ndisingagone kukeeper secret kwaari iye
aindiudzawo every detail yezvaiitika mulife make

Ndaiva ndava kuwirirana neumwe mufess so ainzi PJ


akazouya muroom kwangu akatowana ndakarara
zvangu ndichiteerera music akasvika nekudzima
music akati

"Ko iwe hauchandiudze kuti une rimwe baby "

Ndikamutarisa ndri muconfusion akazoti


"Ko Chocolate ndeupi wauri kunzi warovera Brenda
haaa usadaro mujeez iwewe"

Ndakazomuudza about ufriendship hwedu naMiara


akazotanga kuseka akati

"Saka ane mhunhu hre xaa unongonditambirawo


front ndimbodyawo "

"Ha uyo siyana naye chero dai anga asina munhu


ndaisambosiya mwana achipinda mumuromo
megarwe "
Takabva tatanga kuseka zvedu tikazogadzirisana
naBrenda aiva azinzwisisa kuti Choco haasi babie
wangu asi ndibestie at heart.....

*stay tuned*

*end of chapter 21*

*chapter 22 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*

*lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*Vari kuda book from 1 pindai mugroup kuinbox
makawandisa handikwanise kukupai mose*

*THE TRIPLETS*
*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

aka *lillies of the valley*


💐💐💐💐

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*


*CHAPTER 22 twenty two* 🔥🔥

*Tiara*

Ndakagara week rose pamba paMr Guyo uku


ndichishandiswa sedhongi , hapana kana munhu
wekumba kwedu akauya kana zuva rimwe
kuzondiona ndainge ndakutoona ndatova kugara
pamusha apa zveupenyu hwese

Imwe weekend pakazouya umwe mukomana aiva


murefu uku ari handsome aitozvida hake haana kana
kundimhoresa aingozvitarisa tarisa uku achibaya
rino zi Iphone rairatidza ndere mari

"Eeh Miara uyu ndiJoe ndiye second born yangu,


ummm eeh Joe uyu ndiye musikana
wandakambokuudza iGerofurendi yababa vako
akauya kusiiwa pano nehama dzake "

Vakataura kudaro mai Guyo vaya ndikaona Joe uye


kwava kunditarisa neziso ini ndikangotarisa pasi iye
kwakuti
"Nice to mic you mainini"

Ndikangoti " same here " uku ndikatarisa pasi


ndichinzwa kuzvinyarira

Ndakasimuka ndikanoundura huku kuseri kwemba


sezvo ririro basa randaiita everyday nekuti pamba
pacho vaitengesa machicken cutts dzimwe huku
vachitengesa dzri live chicken,

Uyuwo Boston mukomana wavo wekugate aiva


asingade kana kutaura neni aitondi avoider , zvekuti
kana dhiri rangu randaida kuzoita rekumukumbira
fon ndakashaya kuti ndoriita sei

Handina kumbomira kubleeder uku basa


ndichishanda mabasa amwe airema nemamwe
andaisàgona , nekugarden ndini ndaidiridzira
ndichibatsirana naBoston pamwe pacho ndaigona
kuswerera kuwacha washen yehembe dzemurume
wavo asi dzavo vaiwacha vega newashing machine
ini ndini ndainzi wacha nemaoko

Ndakazoti umwe musi ndiri busy kuwacha washen


yehembe dzangu Joe uya akabva auya nedutu
rewashen yake , ndakamutarisa ndichifunga kuti
achataura chinhu iye kwabva ati

"What"?
Ndikati "what kuita sei ihembe dzei dzaunouya
kutsveta pano hee I'm look like a maid to you bvisa
madhende ako aya handisi mushandi wako ini"

Ndaiva ndatsamwa ini munhu añgada kundiita


mushandi wake ini . Akaramba akanditarisa akati

" Watii " ?

Ini ndikamuti

" ndati bvisa marengenya ako aya "

Ndakanzwa kwatu ndikanzwa sendadirwa mvura


inopisa kumeso kwangu ndikamutarisa ndikaona
akamira uku ini ndichikwiza dama rangu rairwadza
ndikamuti

"Did you just slap me"?

Iye wacho akanyatsa kuswedera padhuze neni


akataura zvinyoro nyoro kuti

" yes I slap you and one more word from your mouth
I will slap you again you fucken bitch , kasira
kuwacha hembe idzi or else ..."

Asati apedza kutaura ndakamu cutter ndikati

"Or else what hee unondidii..."

Handina kusiiwa ndichipedza kutaura ndakakwatura


umwe futi mucheka uri strong akandipusha
ndichinodonha uku skirt ichi ichiuya kuvhara
kumeso zvidya zvese zvichisara panze

Ndakarwadziwa ndikada kuridza mhere


akandinongedzera zviya zvekuti "shut up "
ndikakurumidza kunyarara ndikasimuka paye
zvekuvavarira uku ndichinzwa kuti musana wangu
uri kurwadza ndakangonanga pawashen ndikatanga
kuwacha nehembe dzake dzacho iye akanditi

" usawana waunoudza zvaitika pano kana uchida


kuenderera mberi neupenyu hwako"

Ndakangogutsurira musoro wangu kuratidza kuti


ndazvinzwa , ndaizviita shasha yepamuromo asi uyu
ainzi Joe aiva andidzikamisa nenguva diki diki , Mai 3
chaivo vaisandirova chero ndikaita mhosva yakakura
sei chavo kwaingova kutuka munhu kana
vatsamwiswa
Ndainzwa kubatikana vanhu vese vepamba apa
vaindibata rough ndikatanga kugara ndichichema
uku ndaimbodemba chandaiva ndambobvumira
kudanana nedhara iroro . Ivo Mr Guyo vacho vaiva
vasingataure neni nyaya dzinoenda kure yaingova
maswera sei , kana mamuka sei zvotoperera ipapo

Ndakazoti umwe musi ndatopedza hangu kuundura


huku vakandideedza mai Guyo vakati

"Ooh imwa"
Vachinditambidza cup maiva nezvimidzi midzi
zvaivamo , ndakamboda kuvabvunza kuti chaiva chii
asi ndakati nechemumoyo 'regai ndingomwa kana
ndafa ndiko kuzororawo kunenge kwaita mweya
wangu'

Ndakanoisa cup iye pamuromo kudai smell yaibuda


mucup muya ikandirambira ndikavanenedzera cup
yavo ndikati " umm zviri kunhuwa izvi zvii"?

Ivo vakati " zvekuti zvii zvinei newe iwe imwa


chete,"

Ndakaramba kumwa vakasvika pakudeedza Joe


mwana wavo vakabatsirana kundiforcer ndikamwa
ndakabata mhino uku zvaivava zvekuti chilli chaiyo
haisvike pakadaro
"Uchamwa makusen masikati nemanheru
semapiritsi,wazvinzwa"

Vakandidaro mai Guyo vaya ndikangogutsurira


musoro ndomhanya kunokwesha mukamwa mangu
ivo vakaditevera muroom mangu vakati

"Mushonga haugezwe rega ushande uangogeza


mumuromo ropa harigume iro "

Ndakazongoshingirira ndichimwa nduchitevedzera


time uku ropa riye rakazotanga kubuda shoma
shoma kusvika razomira ndikanzwa voti

"Haa zviri kuita kah mainini chero mubhedhuru


nababa mava kuchikwanisa kupinda manje nhasi
duty rinenge riri kwenyu Kkkkk"

Vakataura vachizhinya kuratidza kundiseka asi ini


moyo wangu waisada zvese izvozvo
ndakambokandira pride pasi ndikangoona
ndapfugama ndega pasi uku ndichiti

"Please ndikumbirawo ruregerero, ndinokumbirawo


mundisiye ndiende kumba kwedu I promise
handichazozviite futi zvekutora varume vevanhu
ndapfidza oooh " ndakadaro ndichisimudza maoko
angu mudenga mai Guyo vaye vakaseka zviye
zvekurevesa chaizvo ndakatoshaya chaiva
chanakidza ipapo ini, vakazoti

"Ah ndiwe here Tiara wekundipindura rough musi


uya kuUZ , I can't believe kuti wakandipfugamira
right now"

Ndakàziva kuti zvese zvavaindiitisa mabasa anorema


nekundituka kwaiva kuda kundipfidzisa ndichitsiva
mhosva yangu yekuva pindura rough kwandaiva
ndakaita uye neniwo ndaiva ndapfidza kana moyo
wangu waiva watosviba nezve varume izvi
chandaingoda panguva iyi kudzokera kumba kwedu
ndonozviendera kuUniversity kwangu ndoenderera
mberi nelife yangu

" please I'm sorry nekukutukai kwandakaita kuUZ


ndiregereiwo ndoda kudzokera kumba ndinoenda
kuchikoro pleaseeee "

Ndakademba uku misodzi nemadzihwa


zvaikwikwidzanawo kubuda ndaisambozvitarisa
chandaida panguva yacho kwaingova kuregererwa
asi ivo vacho vakaramba vakanditarisa vakarova
serious vakati
" ndakakuregera kare ini iyi yandaikuitisa yaiva
punishment ndaida kungokuratidza kuti ndiri
muhombe chete , asi usati wasimuka ipapo tanga
wachera chikomba usvipe uchitaura kuti handichafe
zvee futi ndakadanana nemurume wemunhu"

Ndakatarisa pasi pacho painzi ndichere chikomba


ndikashaya kuti ndaigorichera sei mumatiles imomo ,
ndikatanga kupfikura futi neshungu uku
ndakasimudza maoko ose mudenga semunhu anzi
hands up ndikati

"I swear handichafe zvee ndakadanana nemurume


wemunhu"

Ndaiva ndakazvirereka vakangobuda vakanyarara


ndikasara ndakapfugama uku maoko ari mudenga
ndikaona Joe achipinda achifa zvake nekuseka uku
achitonditora mapuctures nefon yake zvikanzi

" ndatowana nyaya nhasi pafacebook ndika poster iri


rawakanyatsa kuita hands up iri yah "

Akataura achiseka akatobuda ini ndikasara


ndozvibaya nekuchema mai vacho vakazouya nefon
yangu vakati
"I hope wadzidza lesson ooh fon yako, hamenoo hako
ukazvidzokorora next time uchabuda ari majuru
kushure uku "

Ndakamgogutsurira musoro ndikapiwa fon yangu


kwabva ndaiita on ndikaona mamassages akawanda
achipinda ndikama ignore kwabva ndamhanya pafon
number dzaMhamha ndikatryer kufona dzikaramba
ndikafonera Miara akadeera achinozza hanzi naye

📞Eeh mai Guyo muri sei"


"

Ndakamunzwira hasha ndikati

📞 " undikwanire iwe imbwa yemunhu, stupid wauri


kuti mai Guyo ndiani, udza mhamha kut....."

Haana kundisiya ndichipedza kutaura akabva ati

📞
" Eeeh ehh sisitireni hamufone pafon pangu
kuzondishaudha kah unoramba kuti hausi mai Guyo
izvezvi uripi haa? Kana wakuda kutaura neni mushe
uchafona hakozve"

Du du du du du
Yakabva yakatwa ndikanzwa sendotsva , ndikatryer
futy fon yamhamha ikaramba ndukatanga kunzwa
misodzi kuvavira umaziso uku ndodzokorodza
kufonera Miara ndiye ega munhu aiva padhuze
namhmha saka zvedzungu rangu ndakambokanda
paside ndaiziya kuti tichanopedzerana kumba

📞helloe wazoti uri kudei ,I'm busy


Ndizvo zvaakadeera achiita ndikati

📞 sorry xaa I overeacted ndikumbirawo uudze Moms


kuti ndapora ngavauye vanditore nhasi please

Iye kwabva angoti

📞 usanditi sorry zvako I know you are just


pretending because you need my help, OK no
problem ndovaudza moms

Aitoratidza kuti ava nekamwe kakufarisa Miara aiva


ava kutopindura hake zvaanoda ndakngoti

📞 "Thanks " ndikakata ndikatanga kuona


mamassages ama friends angu ekuxul vachinditsvaga
ndikapindura asi pandakazoenda paApp ndkawana
pane dutu rema massages asi vakawanda
vaingobvunza zveku bleeder kwangu mumagroups
ndikatoona kuti ndiyo yaitova topic kureva kuti UZ
yese yaiva yava kuziva nyaya dzangu , ndakanzwa
kuzvinyarira ndikafunga plan yekukumbira Moms
kuti vandichinje havo vandiendese kana kuNAST
kana kuMSU chaiko zvepaUZ zvaiva zvandikona
ndaitya kunosekwa

Ndakazosimuka ndobuda panze ndikashamisika


kuwana mai Guyo vachiundura huku dzavo vega
semunhu aiva tojaira kuti basa rese repamba
nderangu ndakada kunovabatsira vakandirambidza
hanzi

"Your punishment is over enda hako mumba"

Ndakapinda mukitchen ndafunga kunosuka maplates


ndikashamisika kuwana Joe achimasuka akazviona
kuti ndashamisika iye akatanga kuseka akati

"He's kani Tiara mukadzi waDad vangu, haa Mdhara


wangu anopisa guys kunyurura shinda yemwana
kudai"

Ndakaramba ndakanyarara ndaimushaiwira


mhinduro inoenderana naye
Mhamha vakazouya naMiara kunditora zvikanzi
namai Guyo

" haaa tichakusuwai mainini bye bye"


.ndkango waver hangu ruoko rwangu asi
ndichinzwawo moyo wangu kufara at least ndaiva
ndabudawo mujeri umu ndakatoona kuti ini naKiara
hamenoo aiva mujeri rairwadza kudarika umwe
nekuti pamba paMr Guyo paitova paChikurubhi
chaipo

Takasvika kumba pasina aitaura neumwe hamenoo


kwaiva kushaya nyaya here kana kuti vanhu vaiva
vakanditsamwira ndakazoona runyararo rwanyanya
mudining ndikati kuna mhamha

" mhamha sorii nezvakaitika , but ndokumbirawo


kuti mundichinje paUZ mundiendese kuNAST plizz
paUZ hapachaite"

Ndakataura ndichirevesa ivo vakanditarisa vakati

" hapana kuUnivesity kwauchaenda handina mari


yekurasha mukana ndakakupa ukatambisa ndoda
kukuvhurira musika wemadomasi pagedhe apo
woswera uchitengesa ndizvo zvinoenderana
nemunhu ane njere dzakafa sedzako dzekusvika
pakudanana nemunhu muhombe kuna baba vako"

Vakataura vari serious vakabuda vakanorara ,


neniwo ndakabatwa neshungu ndikabudawo
ndonanga muroom kwangu ndikatanga ndachema
hope dzikazoita zvekundiba hamenoo nguvai ....

*stay tuned*

*end of chapter 22*

*chapter 23 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*

*lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*Vari kuda book from 1 pindai mugroup kuinbox
makawandisa handikwanise kukupai mose*
*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

aka *lillies of the valley*


💐💐💐💐

*0789906134*
*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 23 twenty three* 🔥

*Miara*

Life yaitoenda mberi taiva tatojaira kugara tiri 2


namai vangu ,sekuru baba Elli vaiva vazodzokera
kusouth Africa kwavo vese naGogo vacho

Ini mabook angu handina kumira kuverenga asi


zvaimboita zvichindiwandira hazvo sezvo paidazve
nguva yekunoona Kiara kujeri kwaaiva

Rudo rwedu naCharles rwaipfuta zvakana naka


semazuva ose, Mostly taidya lunch tose , taigona
kuenda kunana eat and leak kana kuendeswa kupark
ozodzoka ondidzosera kuBotique kwamai 3,
sometimes kana ndiri busy ainditengera lunch otuma
munhu nayo nekuti aitya Moms . Everything was
working In good condition but umwe wangu
akazotanga kunetsa achiti

"Baby hausi kumbowana time neni xaa


uningokoshesa kubasa kwako asi ini
handimbowanewo mukana newe "

Ndaiziya zvaaida kuzama kutaura but waiona


ndonyepera kudzungaira zvangu ndomuti

" iiii nhai dear inga wani everyday tenge tiri tose
palunch"

Iye anobva ati

" no babe handisi kureva zvekungoonana chete


ndenge ndichimbodawo privacy newe xaa
ndichimbobatawo zvinhu zvangu izvi "

"Oky dear ndichaita plan ndikawana mukana


wekubuda pabasa ndokuudza"
" okay thanks babe ndizvo zvandinokudira kuti
unonzwisisa ndingafare zvisingaite ndoda
kumbozvibatawo zvisiri muhembe"

Kwaingovawo kubvumira kuti zvindibve asi kutaura


chokwadi chero paambondibata mabreasts acho tiri
mumota ndaitonzwa kusvotwa, hamenoo sei ndaiva
ndisina mafeelings naye, asi iye aitoratidza
kunakirwa nake nazvo, Akazoda kundikisser
ndikarambisisa iye akabva andibata matama angu
akaita kuti titarisane mumaziso iye ainzwika hana
yake kurova asi yangu yaiva yakatodzikana kuita
sepasina zvri kuitika

"Asi unondisema kani bae"

Ndaiva ndisina kutarisira kubvunzwa mubvunzo


wakadaro saka ndaka paniker ndakangomutarisa
ndichishaya mhinduro ingamugutsa . Kumusema
ndaiva ndisingamuseme nekuti aitovawo munhu
anogeza uye ane face yake yakanaka achionekerawo
chose , mari aiva nayo mota idzi achiita dzekuchinja
sehembe , asi chaindirwadza fon dzake dzose
ndaisabvumidzwa kubata asi iye yangu aivhura
vhura kusvika kwese kumapics , mamassages
nekuwhatsapp ndisingambomurambidzehangu sezvo
ndaiva ndisina kana chipande

Tiara aiva azodzoka pamba kubleeder kwaiva


kwapera asi aingokurukura kuti aiva ashandiswa
zvekuti nemukadzi waMr Guyo , and zvekutaurisa
zvaiva zvapera aiva ava kupota achindibatsirawo
mabasa epamba asi dzimwe nguva ndini
ndaitomurambidza ndichiti nyama dzake dzimbo
recover semunhu aiva arasikirwa neropa rakawanda
through bleeding .
Aitoita achi recover hake asi airatidza kubatikana
nenyaya yekurambidzwa kudzokera kuchikoro
namhamha , Ini ndakatomboendza kutaura
namhamha ndichiti pamwe vangandinzwisisa

"Mhamha dai mangomusiya Tiara adzokera


kuchikoro pamwe anochinja mhamha mugoti
makafirei pa3 years pese apa muchibhadhara mari
dai mangoita kuti apedzese hake"

Vakanditarisa meziso vakati

" undikwanire kana watengwa naye Tiara kuti


uzotaura neni your plan failed ibva pano ndisati
ndakukwatura handina Mari yekubhadharira nzenza
ini "
Kwaingovawo zvangu kuzama asi chokwadi
ndaichiziva hangu kuti mhamha chavanenge
varamba vatoramba zvachose

Rimwe zuva takatobatana tose namhamha kuenda


kunoona Kiara kujeri mazuva ake ekuti agobuda aiva
atoswedera zvawo aiva asara netwo weeks chete kuti
abude .
Ndakatoshamisika kumuona achiuya akabata bible
ndikashaya kuti type iyi yakazotanga riini kuda
zvamwari akasvika tikangomumhoresa akatanga
kuchema hatina zvizhinji zvatakataura naye kusara
kwekungomupa chikafu chatainge tamuvigira
tikaonekana moyo ukarwadza tichikadonesawo
misodzi toona achindundurudzwa nema guards
kudzoserwa kumacells

" mwana wangu aonda vasikana mamuonawo sei "

Vakadaro mhamha mushure mekunge


tasvika kumba Tiara akati

" iiii zvaKikie zvri serious amana tsinga kuita kubuda


muhuro mese umu zvese nemumaoko dzakati tare
tare ",

Mhamha vakati
" kungozvishingisawo zvangu kuenda kunomuona asi
ndinonzwa moyo wangu kuchekeka chekeka
nekurwadziwa ini"

Ndakaona vava too emotional ndikati

" chinyararai ka mhamha handiti pangosara 2 weeks


chete here kuti achibuda mujeri macho "

Zvikanzi naTiara

"Let's hope adzidza kuti madrugs anosungisa "

Mhamha vakati

"Let's hope newewo wakadzidza kuti kudanana


nevarume vevanhu kunourayisa nekubleeder "

Ndakapotsa ndaseka ndakamgozvishingisa hangu asi


ndakatoona kuti iyi yava pesenari iyi ndikati

" haaa zvaKiara anenge adzidza vasikana handiti


anga akabata bhaibheri here "
" anogona kuchinja hake shoko raMwari rinochinja
munhu "

Tiara aiva ashava haana kuzombotaura kana shoko


akatobuda onanga kukitchen kunobika hake
achiimbirira

Vekuma University vakavhara Gidza akatouya


kwabva ndifonera achiti aida ndionane musikana
wake for introductions tose naNatty saka
maintroductions acho aizoitirwa kumba kwake
kuWaterfalls.
Ndakanyatsa kutora time yangu kugeza kwabva
ndazora zvangu mafuta angu egentle magic ayo
aindiita kuti ganda rangu rigare rakatsetseka risina
kana bundu ,huchocolate hwese hwainyatsa kubuda
sezvo ndaisawedzerera kana kuzora zvimwe zvakaita
sana facepowder izvi ndaisabata ndaidada nenatural
skin yangu ndaisava mutema zvakanyanya
ndaingova pakati nepakati

Yaiva Sunday saka handina kumbobvira ndaenda


kuchurch mhamha ndakavaudza kuti ndaida
kuzobuda vakandibvumidza havo saka ndakatoenda
nemacomby kuWaterfalls ndikasvika vanhu vatovapo
Natty ndiye akatanga kundiona akascremer
achindimhanyira Gidza akamhanyawo
tikambundirana pamwe chete tose

Ndakazoona pane umwe musikana aiva asara


akagara pacoach remudining maGidza ndikaziva kuti
ndiye Brenda wacho , ndakamumhoresa hangu
ndikagarawo pasi ndotanga kuongorora ngirozi
yabestie vangu, musikana aiva akanaka zvake iyeye
ari mutsvuku ane huro yakati twasa, nemaziso akati
kure asi aisvinura seasingade zvake , aiti akasekerera
kudai chiona mazino emwanasikana ano machena
akati mbuuu semukaka ,

"Eh Brenda ava ndivo vana tête vako uyu anonzi


Chocolate, then uyu ndiNatasha, eeeh guys this is
your muroora "

Ndakaridza mhururu yekufarira musikana


waAsahwira vangu asi Natty akaramba ari zii Brenda
akazoti

"I'm happy to see you vana auntie asi iiii your brother
loves you guys kunyanya you auntie Choco ,Gidza
haagone nemi"

Branda wacho aitaurisa zvisingaite hamenoo aikunda


mumwe naNatty ini maGidza taingoseka zvedu ,
Takaswerako tikazobva kumapast 3 nemota yaGidza
aida kunosiya musikana wake kumba kwavo
kuMalbrough kwaaigara inini naNatty takasiiwa
mutown ndikanzi naNatty

"ko Choco handeka umbonoona kusaloon kwangu


kwandakatenga nditori landord kaa pandakati mhaa
pano"

Kaiva funny Natty ndikati


." okay toenda asi tanga wandiudza kuti sei usina
kufarira Brenda"

Ndakamubvunza mukuseka nekuti ndaiva ndazviona


kuti Natasha aiva asina kufarira Brenda zvachose

"Ah nhaiwe Choco asi Gidza ava kupenga ndicho chii


ichocho chaanotiunzira haa zvimwe zvinodawo
kufunga amana ,iwewe Choco uite uchitsiurawo
umwe wako iwe ini ndikataura zvinozonzi atanga
Natty zvake zvekusavhara muromo"

Kakataura kakarova serious kaiva katokura kaiva


kava form 6 asi body ndiyoyo kaiva nenyama
dzakaomera kasingasimbe zvekumhanya
" ko why nhaiwe ini handina kumboona chakaipa
pana Brenda wani"

Ndakadaro ndatoshayawo chaaiva ashora pangirozi


iya

"Gidza agara pamababie ekudanana nawo haana


choice kubvira pana Sheila uya muchiri kuHigh
school aingodanana nevanhu vakaita mahure hure ,
unoti idressing rudzii yanga yakapfekwa naBrenda
iyo iya hee isu vana tete tisu totopfeka migubvururu
kunge tisu tiri kunoonekwa iye ndipo poouya akasiya
nyama dzose panze nxiii ini handina kumbomufarira
and ndamushora" ?

Brenda aiva auya akapfeka byker shot reblack


mecroptop yewhite inosiya dumbu rose panze iwo
mushengenene waaiva nawo aiva akaita kutakura iye
ari muyellowborn handizozive kuti kutsvuka
kwekuzvarwa nako here or aiwedzerera hake
chandinongoziya chete aiva mutsvuku

"Haaa nhai Natty ko zvedressing zvine problem yei


chakakosha kudanana kwevaviri ava "

Ndakadaro kuna Natty tichifamba zvedu mutown


tichienda kusaloon kwake
Iye akati " Haaa kumwe kushama kwacho
kunozonyanya aiwa ini ndoda kutomuudza chokwadi
Bhunu rake hariite iro roti kutsvuka
kwekuwedzerera futi"

Haaa pana Natty raitova basa chairo takazosvika


pasaloon pake tikaona building yacho yakakura
zvakanaka and yaitova neamwe marooms
aisashanda ndakabva ndatofunga kushandisa mari
yangu yemasurvings kuvhura shop yehembe imomo

Ndikataura naye Natty akabvuma akati aisada rent


yangu ndaingoshandisa hangu mahara .Ndikaisira
Gidza massage ndichimuudzawo zvaivapo akangoti
📲 pachenyu ko ini ndokwana papi chero
mawirirana,

Iye Gidza akazondifonera ndava kumba zvikanzi

📞 wamuona sei Bee anoita here nhai sahwira" ?


"

Ndikati📞 ehe anoita bestie ko wakainyurura pai


Njuzu yemwana iye "
📞 haaa wangu ndakangomujumhawo kuVar ikoko
she is my type but anotaurisa manje munhu wacho

Takataura zvakawanda ndichimusimbisa kuti baby


boe
Iye akazoti

📞🤣 kwasara ininiwo kuti undi introduce kuna


Charles mabva kure nechamuhwande hwande
chenyu vanhu imi

Ndakatoseka zvangu ndaiva ndisati ndava ready


kuratidza Charles hama dzangu naiyewo anenge aiva
asingatode kuti ndizivane nedzake saka kana
relationship ichiri nekakuvandirana kudaro hapana
need yekuita maIntro kuhama kusvika isusu tiri 2
tatanga kutrustana

Gidza ndakangomuti

📞ok bestie muchamuona mukwasha wenyu

Paiva tatosara ne3 days kuti Kiara abude mujeri


ndaitova pamba ndisina kuenda kubasa zvangu,
Ndakamukira kucleaner muroom maKiara kuitira
azowanawo makachena musi watainomutora kubva
kuJeri,

Ndiwo futi musi wandaifanira kuenda kuroadport


kunotambira order yehembe dzandaiva ndahodha
online dzekushop kwangu kwandaida kuzovhura ,
Ndaiva ne300 yemaservings angu ndaichengeta
dzimari dzandaipiwa naCharles , neimwe yandaipiwa
naGidza zvose neyandaipiwawo namhamha vachiti
nditenge hembe ini ndaingochengeta chete.
Everything was sorted kushop ndaibatsirwa naNatty
and ndiye futy aiva atonditsvagira musikana webasa
aizotengesa kushop kwacho ,

Kumba handina wandaiudza zvose naCharles


handina kumbomuudza ndaida kuzovaita surprise
musi we graduation yangu ndipo pandaida
kuzobudisa zvose.

Gidza akandifonera nevideo call apa ndaiva


mucomby kuenda kuroadport akatanga nekuseka
zvake
Akazoti

🤳 ko kufamba nemacomby ndiko kudii holiday ino


unonyatsa kuziva kuti ndiripo full time
Ndakangoseka hangu ndikati

🤳 haa wangu ndenge ndichida kupa Bee time yake


kwete kunoti take take newe zvandaisiita paye
handiti Sheaila aitonditsamwira manje apa Brenda
handide azodaro

Takataura hedu zvakawanda ko nyaya


dzemabhururu dzinopera here akazokata hake

Day rekunotora Kiara rakasvika munhu wese ainzwa


kufara kna vari saMhamha vakanga vasingagone
nemufaro

Gidza ndakamufonera akauyawo naNatty tikaenda


tose nemota yaGidza ndiyo yaiva hombe

Takanomutora Gidza akadarika nemutown akatenga


tuma nice tikaenda kumba inini naNatty tikabika
tikadya tichifara it was a sort of celebration like a
welcome party

Aiva adzikira Kiara apa mhamha vakatomuudza kuti


zvekuUniversity hapachina aiva atogumira ipapo
aizoenderera mberi kana ashanda ozozvipinza ega
nemari yake
Vana Gidza naNatty vakaoneka havo akadiira
mhamha 50 dollars akati vägotenga zvisimo mumba
isu tikasara nemhuri yedu mhamha vakati

"Haa vabereki vaGidza vakarera vana vavo


zvakanaka vana ava havamboshaini zvatinoona
zvinoitwa nevamwe vanhu vanobva kumba kune
mari , vakakomborerwa zvavo ambuya
vacharoorerwa mwana wavo naGidza mwana ane
hunhu zvake uyu",

Ndakamgoseka zvangu ndikatofunga Brenda ,


ndikaona kuti nedressing nehunhu hwake
vaisapindirana zvachose naGidza pane 1 wavo
aiforcer zvinhu chete

Takazosara zvedu pamusha pamai 3 tikatanga


kurarama normal life yemazuva ose ....

*stay tuned*

*end of chapter 23*


*chapter 24 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*

*lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*Vari kuda book from 1 pindai mugroup kuinbox
makawandisa handikwanise kukupai mose*

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*

*KIARA*

*Written by* 📝
*Liliosa Chiwara*

aka *lillies of the valley*


💐💐💐💐

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 24 twenty four* 🔥🔥

*Miara*

Ndaitoona zvinhu zvose zvadzoka kuva normal chero


hazvo vasikana vakambotanga kuremerwa nelife
yekugara pamba vaiva vaJaira University life asi
vakazoita vachijaira ndivo vaiva vava kaenda
kuBotique rekutown ini ndichiona nezveshop
yemuMabvuku yaiva pamashops panonzi
paKamunhu

Kushop yangu yekutown zvinhu zvaifamba chose


hembe dzichitengwa Natty ajazovhurawo yake paside
yaitengesa boots all types and aitengerwa kwete
zvekutamba

Ini ndaisanyanya kuendako nekutya kuzosangana


nevanhu vekuziva plus dzimwe nguva ndainge ndiri
busy nemabooks angu sezvo taiva tatova mu final
year ,

Uyu Natty aiva atonyora form 6 yake akamirira


maresults saka aibatsira kumanager kushop kwangu
zvese nekwake, Taiva tava kutonyanya kuwirirana
kudarika zvandaiita naGidza . Natty was now more
than my little sister , hapana secret yangu yaaisaziva
iniwo handina zvake zvaaindivanzira chero
vakomana vake ndavaivaziva vose vari 2 iyewo
aiziva Charles wangu

Fon ndaiva ndisingabate semazuva ose asi


taiwirirana hedu, ini deep in my heart ndaingo feeler
kunge mumwe wangu ari kundi cheater chete ,
Ndakati umwe musi ndatobva kuchurch iri Sunday
ndakapfugama pasi ndikanamata ndaiva ndoda
kuziva chokwadi nepamire imwe wangu saka
ndakabatanidza maoko angu zvinyoro nyoro
ndochema kumusiki ndichiti

*Mwari baba ndimi mwari wakatendeka mwari


wechokwadi usina kunyengedza ndauya pamberi
penyu ishe ndichikumbirawo kuti mundipewo ruzivo
pamusoro pemukomana wamakandipa anonzi
Charles , kana ari pachokwadi itai ndizive asi kana
ari pakunyengedza itai zvibude pachena ,
mugondiwanisawo wangu ari pachokwadi.* *Amen*

Ndakapedza kunamata ndaiva ndamirira maresults e


prayer yangu sezvo zvichinzi mhinduro yamwari
inonoka.

Rudo rwedu naChale rwaiwedzera every minute


ndaiva ndisingachagone kurara ndisina
kumbomuona chero fon yake aiva ava kuita
achindipa ndichimboswera nayo nekuvhura vhura
kumamassages asi hapana chandaibata zvangu ,
ndizvo zvimwe zvakazoita ndiwedzere kunyura
murudo zvese nebvudzi nemapapu , ndingangoti
zvese zvangu zvaiva zvaperera pana Brother Charles ,
Mumoyo ndaingoti prayer yangu iya yakadavirwa
uyu ndiye wangu chaiye chaiye. Ndisingazozive kuti
iyewo aindinzwirawo the same here
nezvandaimunzwira

Ndaiva ndatova ready chero kuroorwa naye ,


ndakambomuti tichiita zvemaIntro kureva kuti iye
ozikamwa kumba kwedu ini ndonozikamwawo
kwavo asi iye akati timbomira ndikamubvunza
reason asi haana chinobatika chaakataura ,
Ndakambobatwa nemweya wekuti pamwe Charles
aiva pakundi nyengedza asi ndakasira kurasira
pfungwa iyoyo kure .

Iyewo Charles wacho akazotanga kunetsera kurara


neni ini ndikamuudza kuti

" inini ndichiri virgin shaa saka tozorara tose


kuhoneymoon paticharoorana"

Akaunyanisa huma yake zviya zvekuratidza hasha


akati

"Saka zvine basa rei zvekuti uri virgin hee ko


ukandisiya ndichikubvisa virginity yacho unofa here
hanty still ndini ndichangokuvhura here kana
patinoroorana pacho"

Ndakatarisa pasi ndikati

" ah zvakasiyana plus hanzi mukomana akarara


newe asati akuroora anogona kuzokuramba ava kuda
vamwe"

"Usaite semwana mudiki Miara zvinhu zvauri


kundiudza pano mastatement anoudzwa magrade
zero kwete iwe mukadzi mukuru ane 23 years
unoswerotaura zvisina nebasa"

Ndakatoona kuti munhu atsamwa ndikati evo regai


ndinyarare zvangu
Iye ndokuenderera mberi achiti

" saka unofunga kuti chero ndikazorara newe


ndakuroora chii chinonditadzisa kukuramba kana
ndisingachakude hee"

Akataura akanditarisa apa ndaiva mumota make


ndikataga kubata bata foni yangu yandaiva
ndakabaira pacharger zvenhema kuri kushaya
mhinduro

" ndipindure haunzwe here iwe "

Ndakaramba ndiri zii zvangu zvagara zvekutaura


zvaiva zvisiri zvangu kubva kudhara iye akati

" izvozvo zvekuti kana ndichitaura newe


unondinyararira kutondiita fuza kaah uku
kurumidza kubuda mumota mangu wozonditsvaga
kana wakuda zvandataura "
Akataura nenzwi rizere hasha uku achiita
kudeedzera asi ini panguva iyoyo ndaimunzwisisa
semumwe wangu taiva tabva kure ndaifanira
kungomupawo trust

Ndakadzika mumota ndikakweshaira ndakananga


kuna 4th kunotsvaga macomby ekuenda kumba
kwamai 3 .

Ndakangosvika ndikapinda mucomby yaiva yatozara


ndikanosiiwa kumba nemazi stress angu

Handina wandakaudza zvaiva zvabva kuitika


ndaingochema ndakazvivharira muroom mangu
chikafu ndakazama kudya chikaramba kudzika
zvachose ndikangosiyana nazvo hamenoo kuda ndiyo
yamunoti heartbreak yacho here yaiva yakandibata

Ndakambozama kuzvisimbisa kuti Charles


handifanire kuita basa naye kana iye achindida
achanditsvagawo asi moyo wangu wairamba pa2
days dzandaiva ndisina kutaura naye dzaitondiitira
kunge gore ndakangoerekana ndodialer number
dzake asi dzakaramba number dzake ndikatryer
dzimwe dzacho dzikaramba futi

Ndikamuisira massage kuapp yekuti

🪀
🪀Hi
Asi yakango ticker ka1 ndikatambura kutoshaya kuti
ndoita sei , ndakatofunga kuti pamwe munhu aiva
andi blocker asi ndakakasira kuzviramba ,
nemadananire ataiita ozongondi ignore just like that
haa no mhani , ndaitaura ndega uku pfungwa
dzichipishana ndichironga nekurongonora
mumusoro mangu

Charles ndaimuda and chandaiva ndisingade


kurambana naye ndakanyatsa kutaimira day
randaiziva kuti I off day rake ndikapfeka kaskirt
kangu kamini kaisiya zvidya panze ndobva ndarova
katop kangu kaguvhu out dumbu rose riri panze
ndaiva ndatozvipira kuti andibvise hake umhandara
hwangu pane kuti andirambe
Pamba paiva pasina munhu saka ndakatofonera cab
kuti iuye kunditora nekuti ndaitonyara kufamba
ndakaminura asi ndaiva ndazvipfekera kunoseducer
munhu wangu ,

Ndisati ndabuda pamba ndkaisirwa massage naNatty


achiti

📲 Warova Choco kuno ma1 Gidza andifonera achiti


abata Brenda ane boyfriend red handed mai nhanha ,
ndozokuudza zvimwe zvacho mangwana uuye
tisangane kushop.

📲
Ndakangomuti 📲"oky ndonomuona mangwana
Gidza wacho Shem inga pakaipa "
uku munhu weCab achitosvikawo kwabva
ndatopinda mumota ndichitoshaiwa kuti ko Brenda
aiva abatwa nei kusvika pakucheater nhaimi.

Ndakapa driver madirections ekumba Charles sezvo


ndaikuziya hazvina kutora time kuti tisvike
kuMasasa park ndiko kwaiva neiwe imba
yevabereki vake

Paiva pasati pava nejurahall saka ndakadziswa


padhuze neimba ndikabhadhara munhu weTax
ndobva ndanhonga kastep ndakananga padoor
repamba pemudiwa wangu , mukati mainzikwa
kurira radio iri pafull blast ndikatoshaiwa shumo
yazvo nekuti Charles aifarira kuteerera soft music
ichiridzirwa pasi pasi saka izvi zvefull blast
ndakatozvishayawo kwazvaibva nako

Handina kumbo nocker ndakangonovhura door


ndikaita luck kuti ndakawana risinawo zvaro
kulockwa ndikapinda uku ndichinonga kastep keku
seducer kandaiona kachifambiwa nevamwe vasikana
vemuTV ndaizvimonya chiuno uku ndichizama
kushaker tumagayo twangu ,

Ndati fambe dzinenge 2 steps ndakagamuchirwa


netop yepink yaiva yakadonha pasi ndikatarisa tarisa
ndikaona skin jean rechikadzi rakabatana neskin
tight futi zvaiva pasofa mudining maChale
ndakazvibata zvaitoratidza kuti zvanga zvakapfekwa
nemunhu ndaatarisa papassage ndikaona T-shirt
yaChale yandaiziva yakadonha futi pasi

Confusion ikandibata ndichitoshaya kuti


zvaimbofamba seiko ndakafamba ndoenda
kubedroom kwaCharles asi ndisati ndasvika
ndakanzwa masounds akaita kuti ndimire ndisati
ndasvika ndakaramba ndakateerera ndikanzwa
haiwa shasha dzaichemedzana asi inzwi remusikana
ndiro raiva pamusoro

Ndakatanga kunzwa kuzarirwa ndakamira paye ,


hasha dzikandibaya ndikamboda kufamba
ndichibuda asi moyo wangu wakandirambira
ndikafamba kunomira padoor rebedroom yaCharles

Ndakavaona vese vakashama kuti hweee handizive


kuti zvivindi ndaiva ndazvikoka kupi shasha dzaitova
busy kupukutana uku vachuyemerana zvavo
zvevanhu vari murudo chaizvo musikana ndiye
akatanga kundiona akamhanya kuvhunduka
achizvivhara nesheet kwabva Charles atarisawo
kudoor kwabva tasanganidzana maziso asi haana
kumbovhunduka achindiona akatopfeka short rake
kwabva azouya padoor pandaiva ndakamira akati

"Uri kudei pano " ?


Ndakashaya zvaireva mubvunzo wake ndikaramba
ndakanyarara akabva andibata top yangu
achindidhonza kuenda neni kudining achiti

"Iwe ndati wavingei pamba pangu ini newe


zvakapera uchiri kudei pano unoda kurambwa rudzii
kunodarika kuku blocker kwandakaita hee"

Mashoko ake airwadza ndaitarisira kuti achati sorry


asi Charles akawedzera munyu paronda

"Ibva pano kurumidza handikude and handina


kumbobvira ndakuda from day 1 asi
ndaitonyengerera kukukwir* chete manje
ndakatoona kuti unenge mukadzi wengozi you don't
deserve me , handidanane nemukadzi wechikwambo
ini"

Ndakada kumbofamba asi ndakakonewa makumbo


angu ndainzwa kupera simba , pamoyo apa paiita
kubaya baya kuita sepane tsono iri kujunga junga ,
ndainzwa kuti moyo wangu wabvaruka nepakati
chaipo ndakaramba ndakamira ndakangomutarisa
Charles ndainzwa kuda kuridza mhere asi
ndaikonewa chero misodzi yacho yairamba kubuda
zvachose .

" uchiri wakamirirei ipapo unoda ndideedze


mapurisa here azokubvisa pano by force hee, ibva
pano handikude wawaona uyo ndiye mukadzi wangu
wandicharoora anondiitira zvese kwete zvako
zvekuchengeta umhandara kunge hunoendeswa
kushow, uchakomba chembere yemunhu "

Ndakaona kuti ndikaramba ndakamira ndaigona


kudonha ndakazvishingisa ndikazvuva makumbo
angu ndichibuda hamenoo zvandainzwa I wasn't
myself panguva yacho

Ndakangokwanisa kubudisa fon yangu ndofonera cab


iya zvekare akadzoka akandi pickèr ndainzwa kutsva
and ndaitoda comfort chaiyo , Munhu wandakatanga
kufunga ndiGidza ndikangoti kuna driver weTax
andisvitse kuwaterfalls ndichimupa madirections
ekumba kwaGidza akandisvitsa ndikangoti
ndichisiiwa pagate kwabva ndavhura raiva risina
kulockwa ndichingosvika paVerrandah misodzi
yangu kwakuchitanga kuita makwikwi ekubuda
ndakanocker zvekushingirira nekuti ndaitonzwa
kuda kudonha ,

Akauya akavhura door akapfeka boxer short rake


kumusoro asina hembe maziso ake aiva akatsvuka
kuti piriviri achiratidza kuti munhu ambochema ,

Iye akatoshamisika nekundiona ndrini ndakamira


padoor pake uku ndichichema

" ko chii Miara" ?


For the first time kunzwa Gidza achindideedza nezita
rangu chairo chairo ndaiva ndatojaira kuti anonditi
Chocolate ,

Paakangobvunza kuti chii ndakatowedzera kuchema


kuita kuwira mumaoko ake iye
akangondimbundirawo achiratidza kuti akarohwa
neconfusion

" ngatipinde mumba xaa chirega kuchema


unondityisa Choco "

Akadaro Gidza achitondibata ruoko kupinda mumba


akandigadzika pacoach uku ndichingochema chete
kuita kuhwihwidza chaiko akanotora matissue
akanditsvetera pamakumbo pangu kwabva agara
padhuze neni akaisa ruoko rwake pashoulder pangu
rumwe rwakandibata ruoko rwangu , ini
ndaingochema chete

"Chii Choco taura neni xaa ukaramba uchichema


wava kundiomesera "

Ndainzwa kuzarirwa neshungu pamoyo pangu apa


paiva pachiri kubaya ndikawedzera kuridza iri
mhere chaiyo ndichiti
" Charles andi- ndi -andi cheater kaniii hiiii hiiiii hiiii

kwake 😭😭
ndamuwana achirara neumwe musikana kumba
"

Ndizvo zvega zvandakakwanisa kutaura ndikaramba


ndichichema but Gidza was helpless aitoratidzawo
kuti akarohwa neheartbreak zviri strong but
aingozvisimbisawo semurume hapana paaizochema

Akandinyararidza kusvika ndazibatwa nehope


ndiripo pacoach pake iye akandigumbatira mumaoko
ake .

Ndakazopepuka mumba matova nemalights


kuratidza kuti kwatosviba ndikatarisa Gidza
ndikamuona akararawo hope ari paside pangu

Ndakatora fon yangu ndichida kutarisa time


ndikawana pava ne3 missed calls dzaMoms ndikaziya
kuti vainditsvaga chete

Yakaringer futi ndikaona Gidza ava kumuka


kuratidza kuti aiva aitirwa noise nefon ndikamuti

"Mhamha vava kufona I need to go"


Kwabva arereka musoro zvikanzi saka ini wondisiya
nani remember I'm heartbroken too. Chingorara
kuno wozoenda mangwana tsvaga zvekunyepa kuna
Moms

Ndakatomunzwira tsitsi sure , ndakamboda kuseka


kuti Satan atigona kubva tarohwa neheartbreak same
day isu Tiri mafriends futi

📞hello mhamha

📞uripi Miara

📞 ndiri kwana Gidza mhamha tanonoka kudzoka


kwatanga taenda naNatty ndouya mangwana

📞 ah horait , unotaurazve nhai mwanangu ipapa


ndanga ndatova worried

Havana kumbonetsa Moms vangu ndaivadira


kunzwisisa ndichangobva pacall zvikanzi naGidza
" ko whatsapp nedressing iyi "

Ndikatozviseka ndega ndaiva ndazosvika kumba


kwaGidza ndakapfeka tuhembe twangu twekuno
seducer Charles ndakamuudza zvese akafa zvake
nekuseka akazoti

" kungoseka zvedu bestie but Brenda akandirwadzisa


same zvaitika kwauri ndizvo zvandakaitirwa
naBrenda ndakanyatsa kumuwana ane rimwe
zimudhara vachitokwiran* zvavo "

Tese tairwadziwa hapana akambotaura zvekubika


mumba maiva nerunyararo Gidza akazoita TV on
kwakunanga paChanel yeNicklodeon wanike pane
vanhu vaidyanana zvavo miromo ini
zvakandiremera kuramba ndakatarisa ndikatarisa
pasi

Ndikaona Gidza asimuka achiuya kuzogara pasame


coach neni akaisa ruoko rwake kumusana kwangu
akati
" next time usauye wakapfeka katiketi kako kanosiya
zvidya panze I'm a man I have feelings xaa"

Akataura kudaro achipuruzira zvidya zvangu uku


ruoko rwake rwaiva kumusana aiva ava kuita
kurwufambisa zviri soft

Nyama dzangu dzaizvida zvaaiita asi ndakazofunga


kuti ndiGidza ndikati

" Gidza stop please this is wrong "

Iye akati

" chiiko Choco we are all heartbroken , I know you


need this"

Akatodaro achikwidza kaskirt kangu mudenga zvidya


zvichiwedzera kusara zviri panze ,.......
*stay tuned*

*end of chapter 24*

*chapter 25 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*

*lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*Vari kuda book from 1 pindai mugroup kuinbox
makawandisa handikwanise kukupai mose*

*THE TRIPLETS*

*MIARA*

*TIARA*
*KIARA*

*Written by* 📝

*Liliosa Chiwara*

aka *lillies of the valley*


💐💐💐💐

*0789906134*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 25 twenty*
*Five* 🔥🔥
*Gidza*

Ndaiva ndazonyura murudo naBrenda iye achindida


ini ndichimudawo rudo rwuchiendeka

" saka nhai baby inini ndichaonawo hama dzako riini


hanty iwewe ndakaku introducer kuma sisters angu
"?

Ndakabvunzawo umwe wangu iye ndokuti

" ndichiri kuchikoro xaa hapana hama yangu


ingambobvuma kuti ndiende nemukomana for
introduction"

Ndakaona hangu pasina problem ndikunzwisisa


hangu problem yakazotanga pandakati
ambondipawo fon yake akarambisisa kuita kutsika
madziro chaiko . Zvaindirwadza asi ndaiva
ndatomupa moyo wangu chero zvazvo ndaiva
netumwe tumababe kunze uko but Brenda was my
number 1
Ndakabvunza PJ sahwira wangu kana pane
zvaangazivawo pamusoro pemamovements aBrenda
nekuti ndaiva ndisingachamu truste

P.J akati

" haa mudhara mubabie uye mufast kana wazogara "

"P.J hapana zvawataura kana uchiti munhu mufast


uri kutryer kurevei"

Ndakabvunza ndakatoròhwa zvangu neconfusion

Iye akatanga aseka zvake zvikanzi

" ari kudyiwa neMudhara weFortuner yeBlack uye


ane Bhawa rataimboenda riye riri mutown rinonzi
Hub "

"Hee " ?,
" ndati Mr Hub ndivo vauri kutsokonyorerana navo
chibage chako"

Mataurire acho aiita PJ aiva nekakusekesa so but ini


wacho
ndainzwa kutsva ndikatanga kuvhura mabutton
eshirt yangu yandaiva ndakapfeka

Iye akazviona kuti ndaiva ndaiva ndarohwa neshock


akandibhabhadzira kumusana achiti

"Xaaa believe me or not but zvandakuudza ndizvozvo


"

Aitotaura achiseka ndihwo hwaiva unhu hwake PJ


kutaura akazhangandira chero iri nyaya iri serious

" kana uchida hande unozvionera wega kubhawa


kwacho baby rako rinenge rakatovharirwa every
weekend ndotonzwa nana Boys kuti anoenda out
neMudhara uye, chero madays atinenge tiri kuVarsty
paanenge achikupa hobho maexuces anenge achiuya
kunodyiwa neDhara rake "

" haa xaa ko waidii kundiudza kudhara kuti soo soo


unoziya aitomboramba kuti ndirove ndine protection
achitoda ndipende nyoro but ini ndaingonyumwa
ndichitoramba "

." haa wangu ndaisatoziya kuti wakapinda nemoyo


zvekudaro pana Brenda kah ini haaa anopinda pinda
zvake mubabie uye"

Ndakaridza tsamwa kuri kupererwa nezvekutaura


iye akawedzerera achiti

" haa wangu wakazongonyurawo zvako nemoyo but


ini ndaitogaira kuti iskiri rekungoitisana waiziya"

P.J aiva akutowanza nyaya hake asi ini pachezvangu


ndaitotadza kuzvi believer kuti munhu wandaiva
ndapa moyo wangu ndiye aitaurwa nezvake saka PJ
akazondisimbisa pachirume ndikangozvishingisawo
iye akaDriver tonanga kuHub , ndiro raiva Zita reBar
racho asi raiva mutown

Airidza zvake music achitevedzera ini pfungwa


dzaitova kure chaiko akazoisa kaya kaKae Chaps
kekuti Juzi ndikaita sendichachema
ndichikatevedzera mumoyo asi manzwi
achirambawo kubuda

PJ aiziva kurova mota in no time taiva tatosvika


paBar pacho . PJ akasvika nekutenga 2 mabeers
eZambezi akandigadzikira rangu ini ndaisatonzwa
kuda doro ndakamutarisa neziso ndikataurira pasi
kuti
" Ko doro nderei pane kuti tiite zvatafambira"

Iye akandichonya neziso repakona akati

" chill mhani hatifambe neperce yedzungu rauri


kuda kuita "

Ndakadzikama hangu asi doro ndaiva ndisingaride


handina kumborivhura ndaida kurohwa
neheartbreak ndiri sober

"Eh saka nhai sister varipo here Bossy venyu"

NdiPJ uyu aitaura nemusikana wekutitengesera beer


uya , maiva ne4 vasikana semuBhawa munomboita
busy asi zvemusi uyu maitova zvamo netuvanhu
tushoma saka maisava busy

" ehe varipo vatopinda kuroom yavo yekuseri uko


neGirlfriend yavo "

Akapindura kudaro achisekerera musikana uye uku


achigadzirisa mhete yaiva pamhino pake .
"Hoo girlfriend yavo ipi yacho ko anowanza ka Boss
wako "

ndiPJ uyu aitaura uku atopedza beer rake ava


kutorova riye randaiva ndaramba

Zvikanzi nemusikana wekubhawa uya

" haa these days vane kamwe kamu yellowborn


kepaUZ apo kavari kudya ndiko kavari kuvharira
everyday hanty vakavhara here iyezvino haasi
kuchikoro saka nguva zhinji ari kupedza ana Boss
vangu"

PJ akanditarisa ini ndaiita sendisiri kuteerera


zvavaitaura zvacho ndichinyepera kubaya fon yangu
asi ndaiva ndanzwa zvese ,

Takazobva paye tikanopota kuseri kwacho


kwaisarambidzwa vanhu nekuti kwaitova
nematoilets plus sunuka , asi ndiko kwaivawo
neroom yaiva nevaviri ava,

Takafamba tikanomira padoor tikanzwa voice rake


Brenda achitichemerera zvake chaizvo
zvandamuziva nazvo , hasha dzikadibata ndikada
kubata handle redoor kuti ndivhure ndikakurumidza
kubatwa naPJ akataura nezevezeve kuti

"Wait chimbomira kuita speed ndoda avhure ega


Mudhara uyu tikaita violence tinonyura tisu "

Akanocker kasoft knock tikanzwa vaya


vekuchemerera vanyarara zvikanzi naMudhara Hub

"Eh ndiani"

PJ akati

" ndini ndatumwa necash yenyu Mudhara , hanzi


madhiri aye azoita"

PJ akaziva kuti akataura madhiri emari mudhara


haatane kuvhura door nekuti munhu wacho aiva
mudealer cash yaidiwawo ipapo

Pasina nguva vakavhura zvavo vakatobuda vasina


hembe kumusoro uku Zidumbu rakambera kuzasi
vakapfeka short ,
Ini handinawo kuda kutambisa nguva chero
Mudhara Hub handina kuzomumhoresa
ndomhanyira mukati , zvesure ndakawana ariyewo
Brenda akatoshama uku akazvirarira pabed akatarisa
mudenga
Akaratidza kuvhunduka paakandiona uku Mudhara
uya naPJ vaitopindawo hamenoo zvavaiva vaudzana
panze ipapo

Iye Brenda akamhanya kuzvizvara nemasheets


nofunga Mudhara vaiva vatoudzwa naPJ yaitambika
saka vakatonhonga hembe dzavo vachitipfeka
Brenda akanditi

" Gilliardy! ko uri kuitei pano"?

" ko ndizvo zvawava kuita Brenda" ?

Ndakataura kudaro uku body yangu yose ichiita


kushaker nehasha, iro voice racho rangonzikwa kuti
ndere munhu ari kurwadziwa

Iye wacho hamenoo aiva manyemwe ekuona dhara


rake naPJ vaivapo here akaita kumuka akagara pabed
uku akangozvimonera nesheet akati
"Buda muno shamwari ubve wasiyana neni for good
unondichengera ndiri mukadzi wako here ini ,
handikude ini ndisiye ndiite yandinoita iwe enda
unoitawo yako, ah iwe zvaunoita vamwe vasikana
kuma party kwaunoenda wakamboona
ndichizvitsvaga here"

Handina any word rakakwanisa kubuda mumuromo


mangu ndaiva ndongo shaker nehasha PJ
akandidhonza tikabuda iye akadeedzera kuna PJ kuti

" buda uende narwo and musanditsvaga newewo PJ


unongomisa zibumu riri mumusoro uri gar*
wazvinzwa ndozviziya kuti imaths dzako dzese idzi"

Haana kupindura hake PJ zvikatondinetsawo kuti


kutanga riini P.J kutukwa akanyarara , takanopinda
nemubhawa akangondibata chete ndikamuti

"Yah ndava kuda doro riye manje "

Iye akati "no at this moment beer is not the solution


you need someone to confort you, and you need to
rest"
Pfungwa dzangu dzaiita sedzaitenderera ini ndiyo
yaitovawo first heartbreak yandaiva ndapiwa
naBrenda ndaiva ndangojaira kudanana nevana
vevaridzi ndichivaramba asi mwana wekwaGomba
aiva azondi gadzirira size

P.J akazonditengera 1 cane rehunters iye akatenga


maZambezi ake maviri akandibata ruoko tikanopinda
mumota yake akatanga kudriver achingondiridzira
masongs emunhu atori muheartbreak . pane
paakazosvika pane imwe song yaConfused yekuti
nguva , ipapo ndaiita kutevedza malirics ayo nemo
nemo ndaizonyanya kukwidza voice paya paaiti

🎧🔦 kwaingova kufambisa nguva , nguva nguva-aa


aa aa ,

PJ aitoseka zvake uku achirova mabeers ake aizviona


kuti ndaiva mubad situation
Akati

" haaa heartbreak yakumamisa muface wangu,


anyways mashoko enyaradzo andingangokupa hangu
sabhururu wako ndeekuti next time kana wakupinda
murudo pinda nemagar* zvikashupa unosiya
wasurira uchienda"

Aiva atanga mastatement ake PJ ekupenga


ndaingomu ignore zvangu akazoti tasvika kumba
kwangu kuWaterfalls akada kundipa chikafu chaaiva
atenga muroad ndikachiramba akati
" usasiye heartbreak iyi ichiku affecter too bad dai uri
umwe watokasika kuita move on fast fást kuti
zvisakurwadze unokasika kuhealer manje trust me"

Aingovawo mashoko ekusimbisa asi aizviona kuti


ndakabaikana ..

Akarara neni usiku hwemusi iwoyo handina kurara


ndichingoshanyarika apa blanket raiva 1 remumba
mebhachura akazosvika pakunditi

" iwe rara mushe usandigume gume hausi ngochani


iwe chii chauri kungoshanyarika dzaramba kuuya
here hope tikuisire Film raJack chan paTV apa
uchinyatsa kusvinura hako kusvika mangwana "

Ndaitoda kuseka hangu asi situation yangu


yaisatendera zvese izvozvo iye akati futy

" chero zvikanzi mumba mebhachura munhu


ndewekutengawo mablankets xaa hona ipapa
ndakutorara ndakagumhanisa magar* nemunhu ari
muheartbreak"
Aitauriasa munhu wacho aisandipa mukana
wekutaurawo side rangu , Mablankets ndaisatenga
kwete kushaya mari asi kutozvinzwira nungo zvangu
,chero mapoto nestove zvandaishandisa
ndakangotengawo zvemutemo asi ndaisambobika ini
ndaitodyawo matake away kana ndasuwa chikafu
chaicho ndaito driver kuenda kuBrook kunobikirwa
namai vangu

Hamenoo kuti hope dzacho dzakazondibawo nguvai ,


ndakazongonzwa kwengwendere kukitchen
ndikaziya kuti mabasa emukomana PJ aiva amuka
achimira mira kubika bika akandimutsa ndikawana
atosetter table , ndakamboda kuramba kudya akandi
forcer achiti

" uri kutoramba hako chikafu pamwe iye Brenda


wacho ari kutochitsika good size iwe uchiyemezeka
hako , haa ita semurume mhani iwe tokubikira
porridge here "

" Haa xaa haumbozvinzwisise iwewe ndiri


kurwadziwa umwe wangu"

Ndizvo zvandakamuudza iye akatoti


" be strong you are man kuzoti dai aiva ava mukadzi
wako waitozvisungirira zvee "

Ndakangonyarara hangu ndikashingirira kumwa tea


nechingwa chine mazai aiva angobikwawo
pachiBhachura naiye PJ

Akabva atooneka akati

" handichaswere newe xaa as you know ndri


mukomana wemadeal rega ndimbodai dai
ndotokuona mangwana coz ndogona kunovirirwa
ndava kuMarondera kana kwaMutare chaiko "

Ndakangoseka hangu ndikamutenda nekumira neni


panguva yandaidawo comfort asi ndaiziva hangu kuti
zvimwe zvese ainyepa zvekuti Mutare what what,
ndaitoiva kuti kumhanyira kumababie nekuti
mumadhirezi aiva asingabvire mukomana wacho

Ndakazosara ndikabata fon yangu ndoisira Natty


massage yezvaiva zvakaitika iye akandipindura
achiti

📲 Ndaenda kuBeightbridge kunotambira order


yeboots dzangu dzatumirwa naNelly saka
ndichakuona mangwana ndadzoka , rega ndiudze
Choco auye kuzokuona "
Handina kuzopindura ndakabva ndangorara pacoach
nemusana musoro wakatarisa kuceiling idzo
pfungwa dzichiita kupishana ndikangoona
ndoyeredza misodzi ndikazama kuipukuta asi iyo
yaitova nenharo yakaramba ichibuda chete

12 yakasiva pakuchaya ndiripo pacoach ipapo


ndakangorara ndakatarisa mudenga ndisina kumbo
mover kana kuchinja position ndaiva ndotoita
seurwere anomirira kushandurwa , ndipo
pandakazonzwa nock inenge yemupurisa kudoor
ndikashaya kuti angave ani

Ndakanovhura ndakapfeka boxer short rangu uku


kumusoro ndaiva ndisina kusimira chinhu hamenoo
kuti dai aiva munyarikani ndaizonyura pai nekuti
ndaitova half naked chaiyo

Confusion yakazondirova ndoona ari Choco aiva


akamira padoor uku achichema , haana kumbomirira
permission yangu anga atowira mumaoko angu kare
uku oita kupfikura zvemunhu ane shungu chaidzo

Zvinhu zvacho zvakandinetsa ndikapinda naye


mumba ndomunyaradza kwabva ndazomubvunza
chaiva chaitika kuti agoridza mhere kudaro asi
mhinduro yake yakandikanga mate mukamwa ,
Zvandaiva ndabva kuitirwa naBrenda ndizvo zvaaiva
atoitirwawo naCharles ndakangomunyaradzawo
akabva arara ndakamugumbatira mumaoko angu ini
ndokunorarawo pane rimwe coach ndakazomutswa
nefon yake yoringer ndikamunyengera kuti anyepe
kuna mai vake zvikafamba ini ndaiva ndisingachade
kumushaiwa ini ndaitoona iriyo comfort ne move on
yacho yandaiva ndaudzwa na PJ kuti ndinofanira
kuita

Ndakaswedera pedyo naye ñdotanga kubata bata


hamenoo kuti chii zvinhu zvacho zvaingozviitawo
zvega ini njere dzangu dzaiva dzongotenderera
ndisingachazive zvekuita zvotiwo nekuminura
kwaaiva akaita Miara wacho kaskirt kake kaiperera
pakakatangira ndaiti ndikatarisa zvidya zvake zvaiva
zvakàtsvukira ndainzwa sabhuku vocomplainer
mukati meka boxer kandaiva ndakapfeka .

Haana kuzvifarira zvandaiita zvekumubata bata asi


ini zvaitondiitira panguva yacho

Ndakatowedzera kumukanya kanya mabreasts aya ,


iye akayuwira nekurwadziwa nekuti aitoratidza kuti
mutsva kwazviri uye mabreasts ake aiva akabatana
kwete zvana Brenda aitomboita kunge akayamwiswa
vana vatatu

Ndakadzika naro gejo ndoenda kunopuruzira zvidya


ndikamunzwa oshinyira ndikaziva kuti ndabudirira
Akashama muromo achida kutaura

" Gidza stop this is wrong I don't think"...

Handina kuda kumusiya achipedzisa ndakamunama


muromo iwoyo nekiss ndikanzwa hana yake
yowedzera kurova akambotanga aka tenser
akazosvika pakudzorerawo mafavor andaimuitira
nemuromo wangu , Haiwa yakadyanana kani
miromo ndikati dzawira mutsvanda ndonangisa
maoko angu kunopeura Kaskirt kenhema kaaiva
akapfeka ndikaenderera mberi ndobvisa skin tight
yaiva mukati , Ndofunga iye akazvinzwa kuti
zvoshata akada kuzvibvisa pakiss ini ndikarambirapo
pamuromo wabestie

Zvaaitika panguva yacho zvaisetsa nekuti zuva raiava


rakacheka nyika ari masikati machena chaiwo uku
door raiva risina kukiiwa , Ndakamusiya achizvibvisa
pamuromo pangu asi ndaiva ndamupidigura iye ari
pasi ini ndiri pamusoro tese tichifemereka zvevanhu
vari pabasa riri serious chairo

Ndakamitarisa mumaziso iye akatarisa pasi ini


ndikamubata matama ndikayerekana ndobvotomoka
kuti

" I love you Miara , ",

Iye akati " haiwa siyana neni ndozviziya kuti


mashoko emunhu ari muheartbreak aya",...….
*stay tuned*

*end of chapter 25*

*chapter 26 loading*

*Rambai makadaro pakucommenter macomments


enyu anondipa manyuku nyuku vadikamwi mose
makandikoshera*

*lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*THE TRIPLETS*

*Miara*
*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝📝
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 26/ TWENTY SIX* 🔥🔥

Narration
Zvino vana vaiva vofemerana uku vakatarisana
mumaziso chaimo uyu Gidza waiva asina kusimira
nechekare aiva angori neka boxer short zvotiwo uyu
Miara aiva akapfeka kachi skirt kaiperera
pakakatangira saka vainyatsa kugumhana panyama
chaipo iyo mirimo ichisvisvinana

Miara ndiyo yaiva first time yake kubatana nemunhu


rume kusvika palevel iri kunyangwe zvazvo
aimbobatwa nemukomana wake Charles vari
mumota asi zvemusi uyu zvaiva zvanyanya

Muviri wake waiva woita kupisa kwabva Gidza


azvibvisa pana Miara , akasimuka achienda
kunokiyer door aitya kuti pangangoita munhu ano
distuber their special moment

Akangosvika nekusimudza Miara akananga naye


kubemdroom kwake akanotamba naye zvakanaka
naka kusvika mwana adhashärara ega kuita kuvhura
190 chaiko

Hembe dzese dzaiva dzabviswa vanhu vasara


mushwi chaiwo , Miara akavarairwa uku achiteerera
kunaka kwaiita kiss yaaipiwa naSahwira wake
akakaruka onzwa seachekwa pakati pemakumbo apa
akada kuvhara makumbo akaona kuti its too late
mukomana Gidza yaiva azviita , uku atovhara
muromo wemwana kuti asaridze mhere ,
Akauchovha mutambo mwana achiyuwira nekuti
zvaisava nyore humhndara hwaiva hwatoenda
mabestie vake sekutamba ,

Gidza pfungwa dzake chaidzo dzaiva dzamira


kushanda saka panguva iyi dzaaishandisa ndedze
mubhurugwa make , ndidzo dzaitomu controller

Akazoti otoda kupedzisa mutambo asi asati


aproducer akanzwa n'aa arumwa padumbu
mukomana , akakurumidza kudzika pamusoro uku
achiyuwira nepaya paaiva arumwa

Miara aiva ochema zviye zvekurevesa kutoridza


mhere chaiko , Muroja aigara kuseri akazvinzwa
hake ari mumba make asi akatya kubvunza kuti chii
chaiitika

Gidza pfungwa dzakazodzoka kuita normal uku


atopedza basa zvake , ainzwa kufeeler guilty maari
nekuti aiziva kuti aita zvinhu zvri wrong, akazama
kunyaradza Chocolate wake iye Choco uya akaramba
achichema , zvaiva zvoti kurwadziwa nenyama zvoti
moyo chaiwo nepfungwa aichema humhandara
hwake hwaiva hwaendera mahara uye hwaenda
nemunhu waaiziva kuti haaizombofazvee akaita
murume wake
"Chinyara Choco I'm sorry nezvaitika you know I'm
heartbroken so I was not on my senses, you need to
take a bath and I wanna change these spoiled sheets
"

Akadaro Gidza achizama kumutsa umwe wake kuti


anogeza asi kwaingovawo kushingirira nekuti iye
aitirwadziwawo nenhengo yake yaiva
yatodambukawo tsinga yake yehujaya ipapo nekuti
ndiyo yaiva first time yake kusangana nemhandara
yakazara nguva yese iyi aigowana mvandara dzega
dzega

Gidza akanotora drying towel rake opa Miara kuti


amonere kwabva amubatsira kuramba achienda
naye kubathroom akasiya amuvhurira mvura
yekugeza kwabva adzokera mubedroom maakasvika
achiita kuzvikanda pamubhedha nemusana

Ainzwa kupererwa akatora fon yake ofunga kubata


PJ sahwira wake achimuudza zvaiva zvaitika akati

📞 haa wangu iyi ndiyo inonzi hombe yawavhura


manje zvisinei rega ndisvikeko mangwana makusen
nhasi handichakwanise pane kamwana kandiri kuda
kuvharira
Akati achipedza kutaura naPJ kwabva afonerazve
Natasha hanzvadzi yake aiva atova musikana
mukuru zvekuti aiva ava kunzwisisa amwe
masituations saka Gidza akatsanangura zvose zvaiva
zvabva kuitika nemo nemo aifunga kuti Natty
achapopota asi akashamisika kunzwa achiridza
kamhururu akati

📞 " hiilili ululululu yah mazozviitaka Mhofu


yomukono unofunga kuti waisvika kupi uchizvivanza
kuti une mafeelings pana Choco manje
wochitomuroora wati zvichanzwii kana watobvisa
mwana wevaridzi umhandara yatova mhosva ka iyi
"

Gidza akapererwa nemashoko aya asi mumoyo make


aida Miara but the fact yekuti vaiva mafriends
yaimudzosera kumashure uye aisaziva kuti Miara
wacho achazvitora sei

📞 ah iwe ndoroora munhu wandisingadane naye


kuti ndinopenga hre ini ukwane ndakuudza kuti
zvaitika nemistake , ugouya nehembe dzekuti achinje
mangwana makusen

📞 haa putseki zvekuti haumude ndezvako Choco


ndiye achatoita muroora wangu uchida usingade ,
pawanga uchirara naye wanga wakabatirwa banga
here tibvire

Natasha kubva kare aongofarira Miara kuti adanane


naGidza nekuti aiyemura zviito zvemwana sikana
uyu , saka paakanzwa mashoko aya akafara akabva
atosimuka kubeitbridge kwaaiva onanga Harare
akadarika achitenga hembe dzaaida kuzomukira
nadzo kuWaterfalls kuti Miara agochinja

Miara akageza zvekuvavarira uku achinzwa


kurwadziwa zvese nekudemba kuti dai angoenda
hake kumba mai vake ndiye munhu waainzwa kuda
panguva iyoyo

Akapedza kugeza akapinda mubedroom muya


achiita makumbo ekuzvuva asi aiva asingachacheme
, Gidza aka order chikafu akavigirwa maKFC akapa
Miara kuti adyewo pamwe chete nejuice

Musikana ainzwa kuzvimbirwa kana mashoko


chaiwo airamba kubuda aitonzwawo kupererwa asi
chekuita paiva pasina yaiva yatodeuka mvura
yemuguchu hapasisina kudyoreka

Vese hapana akapedza chikafu vaidya


vakanyararidzana umwe neumwe achipishana
nepfungwa dzake Gidza ndiye akazodzokorodza futi
kukumbira ruregerero
" Sorry Choco nezvaitika"

" ndoda kuenda kumba"


Ndiyo yakava mhinduro yake
Gidza akati

" kumba hauchaende xaa hanty ndakukanganisa here


wakutongoita mukadzi wake zvagara inini personally
I do love you, so kana iwewe usingandide
wotongodzidzirawo kundida kwacho"

Miara akavhunduka nemashoko aya , dzimwe


pfungwa dzakamuudza kuti Gidza pamwe aiva agara
akazvironga kare kuti kana akangowana mukana
chete agorara naye

Miara zvekuroorwa zvaiva kure naye Aida


kumbotanga azadzisa madreams ake
nekumboshandawo otengera make vake madhirezi

"Ndiwaridzirewo pasi ndakuda kusara"

Akadaro Miara achinzwa kuda kuzorodza nyama


dzake akanzi

"Haa shaa kukuwaridzira pasi ndaikwanisa hangu


asi problem ndine blanket 1 chairo mamwe ese
macomfoter, mabedspeads nemàsheets ,
ngatingorarei tose pabed ipapa handina
zvandichakuita ini trust me"

Vakazongorara vose pamubhedha ipapo Gidza akati


akurirwa akabva atanga kubata bata mwana asi
haana kuzodzokorodza futi kuita zvaaiva ambomuita
masikati , Vakazorara vakambundirana havo
mangwana makusen vakamutswa nenock yainocker
pâwindor pavo izvoo aiva Natasha aiva amukira
kuuya akasvika nehembe dzaaiva arairwa uyu Miara
akageza kwabva achinja akakamhinawo achinogara
mudining pasina nguva PJ aiva asvika achibvawo
kugerofurendi rake kwaaiva akavharirwa usiku
hwose .PJ ndiyo yaitova first time yake kuonana
naMiara in real life nguva zhinji aingoita wekuonawo
pafon mumastatus aGidza

"Ndakuda kuenda kumba mhamha vakandimirira


kubasa "

.akadaro Miara uku maziso anjenga misodzi . Natasha


akati

"Hakuna kwauchaenda xaa watova mai vepano iwe "

Miara akarambisisa kugara pamba paGidza


PJ skating

"Kana nines maramba we can't force you but kana


pakazoita zvimwe zvinonetsa senhumbu anogona
kuzoita ma1 dai mangogarira pano "

Musikana akaramba akaira nerake rekuti aida


kuenda kumba kwavo kana yaiva nhumbu yaibata
aizotangirawo ipapo, akazoperekedzwa kumba
kwavo naNatty uyo aingomuti " makoti wangu" road
yese
Iye airamba zvake ari zii idzo pfungwa ndidzo
dzaingopishana chete , Chinhu chaainyanya kutya
yaiva nhumbu aitotya kuti mai vake vaizogona
kubatwa nestroke chaiyo nekuti life yevana vavo vese
inenge yazoparara

Akasvika kumba nekurara achinyepa kuti musoro


waimutema , mai vake vakatouvigira mapain easy
akangomwawo kuti zvimubve asi pakufamba apa
aingozamawo kuti step yake isanyanye kudhasharara
achitya kubatwa kuti aiva aita musikanzwa .....

*Stay tuned*
*see you in next chapter*

*Lily loves yu all* 🥰🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝📝
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley* 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 27/ TWENTY Seven* 🔥🔥

*Miara*

" ko uri kumbofamba seiko iwe rarwadza here gumbo


iroro rauri kungoita seuri kukamhina"

Ndakavhunduka Moms pavakandibvunza kudaro apa


ndiro day randaiva ndabva kusiiwa pamba
naNatasha , saka pain yacho yaiva ichiri kunzwika
kufamba kwacho kwaingova kwekuzvishingisa ,
Ndainzwa kuomerwa saka ndaitoda kunochera
mvura mukitchen ndipo pandakabvunzwa naMoms
zvekufamba kwangu ndikaruka nhema dzangu ipapo
ipapo
"Ehe riri kurwadza mhamha ndatova ne2 days
richingodai mhamha"

" ndakakuti udzidze kutaura kana uchirwara iwe


enda unotora rub rub mubedroom mangu mudrawer
yewardrobe ukwize gumbo iroro aizve tinogara
nemunhu achirwara pano pamba asi usingataure
zvako"

Ndakakamhinda ndoenda kunotora mvura yangu


mukitchen ndikatakura imwe yekuzonomwa kwabva
ndazoenda kubedroom kwamhamha kunotora rub
rub iyo yandakangosvika ndichikandawo
pakadressing table pangu paiva pasina cheku rubber
ini ndaiziva kuti Asahwira vangu vaiva vakazviita
havo

*Nhai Mwari madireiko kuti ndiite chiseko chenyika*


,
*Maivepiko Mwari ndichibviswa virginity yangu
naGidza huu huu huuu dai hangu ndikasaita
nhumbu*

Ndini hangu ndaiuungudza kuchema ndiri muroom


mangu , ndainzwa moyo wangu uchiita kunge uri
kubaiwa baiwa netsono chaiyo

"heartbreak yandaiva ndapiwa naCharles was


enough wani why this now"
Ndaitaura ndega uku ndichingoshanyarika hangu
ndri pabed pangu uku misodzi ichingobuda kna
kudya chaiko ndaiva ndongoita chikafu
chekunyobvora nyobvora ndosiya chakadaro.

Ndakarara kudaro ndakanzwa mhere mhere


kudining ndikambotanga ndichi ignore ndaitova
nezvanguwo zvaindishungurudza so I was not ready
kunonyaudzwa nevanhu vepamba pedu , vaiva
vatotanga hunhu hwavo hwekungoita semakudo
vana vamai vangu, Ndakanzwa voice raTiara riri
padenga achiti

"Ndozviziva mhamha magara you hate me ,


munongoti zvose zvose ndini why , madii kuti
ndiKiara uyu ,kana kuti Miara , ipapa haana kurara
pamba musi uno but you didn't say anything mune
favor mhamha"

Ndakabuda ndichifambisa ndonanga kudining kuye


kwandakasvika ari mashura chaiwo Tiara aiita
kupupa achipopota akamira uku mhamha vakagara
zvavo pasi ndakatoona kuti kahunhu kake
kekutaurisa kaiva katanga ndikangosvikawo
ndichigara pasofa silently sezvo munhu wese aiva
akagara except for Tiara aiita seachamhara mhamha
kumeso achipopota uku achimhiza mhiza maoko
Ini ndaishayawo kuti inyaya yei sezvo yaiva yatanga
ini ndisipo ndakarara hangu muroom mangu
ndichizvikuvadza nekuchema. Mhamha vakamusiya
achipopota chaizvo Tiara akasvika pakuti

"Ok kana muchiti ndinokubirai mari yenyu its fine I


will not go kuShop kwenyu tione kuti ikashoter futi
muno accuser ani"

Mhamha vakati

" Ehe regedza kuenda kuShop kwangu chero pano


pacho wakangosununguka kubva futi wonoroja
kwako handiti kutaura neni wakamira zvinotoratidza
kuti watovawo mai pachezvako here"

Ndaifunga achavhundukawo or kugara pasi


achikumbira ruregerero asi akaramba achipindurana
namhamha akatoti

" better munenge matondisunungura ndikangowana


Basa chete ndotono lodger kwangu ndega musare
nevana venyu vamunoda ava "

Akadaro achindinongedzera inini naKiara akati


adenha mago Kiara akangosimuka akanyarara akapa
Tiara zigwati rakativhundutsa tose akanongedzera
Tiara nechigumwe uku achiita kushaker shaker
nehasha akamuti
" Do not ever talk to mhamha in that manor again ,
ndimai vedu tose ava respect that usaite
sewakadonha kubva mumuti Tiara think unoda kuti
tisare tiri nherera here watiurayira mai vedu nebp"

Akabata dama rake Tiara uku akavhura maziso


akatarisa Kiara akati

"You fucken bitch did you just slept me huh "

Kiara akati " yes I slept you , taura futy mushonga


unobuda mukaromo kako aka ndikumamise
ungrateful bastard haufunge iwe dzoro iri rakazara
matuzv* ega ega"

Vakanetsana paye ndakanyarara zvangu ko Simba


rekutaura raigobvepiko my pride was taken by Gidza
I was now an empty vessel ,.Ndakatoona kuti Kiara
was right taisafanira kurega Tiara
achingoshaudha Moms paadira sezvaaiita, taifanira
kumutsiura nenzira yakafanira

📞
" halloe halloe eeh Mwana wamai vangu huya
unditore uyende neni please ndisati ndaurawa
nevana vandakazvara hu hu hu hii hii hii"
Vaiva mhamha vaiva pacall vachiita kuhwihwidza
kuchema ndikaziva kuti hakuna umwe wavaitaura
naye kunze kwaSekuru baba Ellah ndiyo hanzvadzi
yavo chete yavaiva nayo .

Zvakapindurwa nasekuru handina kunzwa


kutivakati vakati chii ndakazonzwa mhamha vava
kuti

📞 vese zvavo haa handizive kuti ndakatadzei Tiara


ndiye ari kutonyanya kudavafunga kundiuraya
vasare zvavo nemashop angu nekamota ikaka "

Vaitaura vachichema mhamha zvikaita kundibata


ndikatanga kuyeredza misodzi Kiara aiva akagara
akabata shaya uyuwo Tiara ndiye aiva akati tumbi
kumira pakati pemba achingohwaira zvisiso zvake
zvaiita sezvechidzvorori chaedzerwa chichibva
kunoroya

📞
" aewa Mwana wamai vangu Miara hake haana
zvaaita asi anga ari pano akanyarara kuti zii uyu
Tiara achindishaudha sembwa kureva kuti vane
rimwe "
Ndakatoona kuti zvaiva zvashata nyaya yaiva yatonzi
tose tine mhosva vakazotaura vakapedza vakabva
pafon vakasimuka vachida kuenda kubedroom
kwavo ndikada kuvamisa ndichiti

" mhamha we are sorry please here me out , we can


solve this issue , kunyarara kwandanga ndakaita its
not like ndanga ndichifarira zvanga zvichiita Tiara
asi ndanga ndichi avoider mutauro ndaizoda
kumutsiura tiri pedu tega nek......"

"Hey hey save it young woman ,mangwana chaiwo


anoedza hanzvadzi yangu iri kusvika pano
ichinditora kuenda neni Joni saka usanditaurire
nhoroondo dzisina maturo , ndakunorongedza
mabags angu"

Vakabva vofambisa vachienda kuroom kwavo Tiara


akasara akaita zi heavy breath akazvikanda pasofa
kwabva abata musoro ini ndikasumuka ndisina kana
shoko randataura Kiara akasimukawo akasiya ati
kuna Tiara

"Kana pano pava kukuvava shamwari


wakasununguka kudzokera kwaGuyo kudhara rako ,
hapana ane problem nazvo pane kuti udzinge mai
vedu pano maya I will never let that happen"
Ndakamboda kuseka asi hapana chainakidza Tiara
aitoratidza kuti inhinhi chaiyo nekuti akatoridza
zitsamwa ipapo pacho, Ini naKiara
tikadungamidzana totevera Mhamha kubedroom
kwavo tikawana vachipaker hembe dzavo muma
mornach avo 2 mazihombe hana yangu ikarova Mom
vangu vaiva munhu anototi zvavataura vanotozviita
with out fail

"Mhamha please"

Takataurirana naKiara ivo vakacheuka uku maziso


avo akatsvuka vakataura zvinyoro nyoro kuti

"Muri kudei muno, please get out"

Takangobudawo pasina ataura neumwe tikapesana


mupassage umwe neumwe achienda kuroom kwake,
Ndakanozvambarara pabed pangu ndikanzwa fon
yangu ichiringer ndikaona vari Khule vangu sekuru
baba Ellah ndikatanga ndafema ndikati

📞helloe sekuru muri sei


📞
📞 chii chiri kuitika Miara ndizvo zvamazoronga here
iwe nevamwe vako kuti muchiuraya hanzvadzi
yangu heee

📞sekuru sandizvo zvaitika nda...

📞 usanditi sekuru sekuru zvenhema muchandiona


ndiri kuuyako mangwana makusen ndotobata flight
ya6 chaiyo ndiri kuitora hanzvadzi yangu tione
manyemwe enyu iwayo

It was a moment of heartbreaking words kungonzwa


kuti mai vangu vaizotakurwa kuendeswa kuSouth
Africa zvaitondirwadza kusvika kubhonzo chaiko

Ndakatryer kuexplainer kuna sekuru but havana


kumbonditeerera vakatokata fon yacho

Ndakasimuka ndikanogeza ndikadzoka kwabva


ndakiyer door rangu uyo waiva mutemo nekuti
ndaiva ndafunga kumbobata mabooks angu sezvo
ririro raiva final year rangu ndaitofanira kukwinya
chaiko pakuverenga nekuti rivhaisa
Ndakambotryer kuverenga zvikaramba kupinda ,
maziso chete ndiwo aingova pabook asi pfungwa
dzaiva kure chaiko

Ndakatora fon yangu ndafunga kutamba magames


ndikaerekana ndavhura whatsapp ndikaona kune
mamassages akawanda ndikavhura pachat racharles
aiva asenda tuma emojis tweheartbreak kwabva
pazasi pacho anyora kuti

💔💔
I know you love me you can come to my place
tomorrow tozoita zviye zvawaindinyima , I know you
are ready now

Ndango blueticker zvangu ndakamushaira mashoko


Charles anenge aitondiona sechidzoi chako
chaanoitisa zvaanoda anytime anyday and anywhere.

Ndakavhura pachat raGidza ndikaona asenda 3


mamassages

🪀hie my Chocolate
🪀sorry nezvakaitika Choco forgive me
🪀 ko wafamba bol here natete vako Natty , I miss
you already babie

Ndakango blue ticker futi ndikasiyana nazvo


ndaisava ready kutaura nemunhu akaita saGidza
aitova mhandu yangu chaiyo ndainzwa kumuvenga
nezvaaiva andiitira

Ndakavhura chat raNatty ndikaona akaisa


mamassages 2

🪀hes makoti wasara bol here nhai muroora wangu

Imwe yacho yaiva yakanzi

🪀 eh muroora murume wako ari kuramba chikafu


kuno kubva paye pawabva up to now he didn't eat
anything

Moyo wangu wakarwadza kunzwa kuti Gidza


airamba chikafu asi ndaiva ndisinawo
zvandaikwanisa kuita imwe pfungwa yaiti agara
akazvironga , imwe ichiti forgive him it was just
happened by mistake

Ndakazorara late ndichifungisisa ndikamuka


ndichibatsiranawo nevamwe kuita mabasa epamba ,

Mhamha havana kumuka vakanonokerwa naKiara


achida vadye macereals vakarambira muroom mavo

Kuma past 7 hooter takainzwa kugate tikaziva kuti


chachaya kwaiva kwauyiwa naGono

Ndakamhanya kunovhura gate ndikatambira kabag


kadiki kavaiva nako sekuru tikasvika vakagara
Ladoga ndikamhanya kunovadirira juice
vakariramba hanzi

" ndoziva sei kuda maronga kundiisira poison


handidi imi muchimbogona kuda kuuraya mai venyu
chaivo kwakuzoti iniwo zvangu"

Handina kufara nemashoko asekuru saka


ndakangorikuturira mukamwa juice riye rese ivo
vakätarisa ndichida kuva prover kuti hapana
zvandaiva ndaisa mujuice randaiva ndavapa
Mhamha vakazouya vakachena chena vakamhoresa
hanzvadzi yavo vachichema isu tese taiva tangoti
duku duku takagara pamasofa sekuru vakati kuna
Moms

"Chinyararai zvee nhai vatete hazvinaki kuchema


pamberi pevana"

"Havasi vana vangu ava sekuru nditorei muende neni


vanosara vachitsvaga vamwe mai vavanoremekedza
vasiri inini, "

"Aiwa sisi hazvinzarwo mwana wamai vangu cana


mhavaramwiwi vanoita minyama "

"Munoda ndirige kuvaramwa ndiite sei mhaaa


ndovaita Seiko vava vanhu vakuru vanozvionera
mota yangu ndinotengesa mashop angu makey
ndinoenda nawo vanosara vachiita plan vese vava
vakadzi vakuru seni"

"Mhamha please " ndakadaro ndapfugama pasi


chaipo uku misodzi ichiyerera ivo vakati
" don't Mhamha please me wazvinzwa waiva pano
iwe ndichitukwa nekunongedzerwa naTiara but what
did you do huh wakaramba wakanyarara
kuratidzaka kuti maiva matenderana kana
makaronga kundiuraya no i can't die nguva yangu
isati yakwana I have to run away with my life "

" Mhamha sorii ndokumbirawo mundiregerere


ndinokurirwa nehasha ndoguma ndotaura mashoko
asina kunaka oamberi penyu please don't leave us "

Aiva Tiara aiva apfugamawo pasi akanzi

" siyana neni Tiara I'm no longer your mother kana


uchihuda humai huri pandiri tora hwese ini
ndongosata ndiri Monalisa asina chaainacho ,
unondinyengera kuti ndigare pano kuti ugondiisa
poison ndife kani"

" no no mhamha I don't do that again please stay with


us" akadaro futi achidemba demba
" ndisiyei ndiende pamuri mese hapana mucheche
apa mava maover 18 saka pangu ndakasakura
ndikazunza chipedzisaiwo ini ndakundikana "

Vakataura vachisumuka ndikabata mupendero


wedhirezi ravo vakâda kundipa mbama vakabatwa
nasekuru vakati

" no hanzvadzi violence haigadzirise zvinhu ,


varegerewo vana vako ava hapana wekuvarasira "

Mhamha wakatanga kuchema vachiti

" I'm tired sekuru ndaneta vana ava vakasiiwa


nababa vavo vari magrade seven ndikashinga
kuvaendesa secondary level zvese neuniversity
vamwe ava vakanoita zvavakaita zveupfambi
nekumwa madrugs saka imhosva yangu here ini ,
varume vangani vaida zvekundiroora asi
ndakarambisisa ndichiitira vana vangu ava asi nhasi
honai , just look sekuru "

Sekuru vakazogadzirisa nyaya tikakumbira


ruregerero kuna Mom, sekuru vakasiya vapromiser
kuti tikazvidzokorora vaizouya kutirova tose zvedu
zvisinei nekuti atadza ndiani
.......
*Stay tuned*

*end of chapter 27*

*chapter 28 loading*

*Lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝📝
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 28/ TWENTY eight* 🔥🔥

*Miara*

Kubva zvaiva zvabva kugadziriswa family yedu


nssekuru zvaiva zvatosara zvikaita worse there was a
tension between everyone

Moms vaiva vakatitsamwira tose , Tiara aiva


akatsamwirawo everyone , Ini ndaiva ndisina
kutsamwa but ndaitovawo nemastress angu June
wese waiva wapera ndisina kana kuenda
kumaperiods zvino ndaiva ndofunga kuti pamwe
yaiva nhumbu yaGidza , to the other handy Natty
aingouya kundiona everyday kuBotique kwedu kana
kusangana kushop apa aingobvunza kuti
"Wakazoenda here kuma periods" hamenoo kwaiva
kubvunza kwekufarira or what

Gidza aisenda mamassages ndichingo blueticker


hangu , sometimes aitofona ndongodeera tichitaura
ndaingomupindura ma1 words chaiwo

Moyo wangu wakazosununguka ndaenda kuma


periods kutanga kwaJuly so ndakatonyatsa kutenga
futy pregnant test ndichida kunyatsa ku confirmer
kuti handinawo here and for sure pakabuda ndisina
ndikascreamer nemufaro mhamha vakauya padoor
vachimhanya vachiti

"chiiko Miara ko waitwa Seiko mwanangu vhura door


tione "
Vaitaura uku vachirova rova door riye uku kapreg
test kaiva pabed zvese nekagaba kewet kari
padressing table

Luck enough kuty ndaiva ndaka kiyer door rangu as


always ndakatovanyepera kuti ndaiva ndaresva
kutsika mistakenly ndikadonha ivo vakatobva PA
door pangu vachiseka zvikanzi

"Haiwa unopenga iwe ndizvo zvaungaridza mhere


kunge waona nyoka here izvozvo"
Mazuva haana kumira kufamba birthday raGidza
raivako musi wa20 July apa August wacho taiva
tatarisana nemafinal Exams ekupedzisa University
level,

Umwe musi nditori kuBotique kwedu fon yangu


yakaringer ndikaona ari Natasha , waiva wava musi
wa19

ndakadavira akati

📞 eh makoti

📞haaa xaa handisi makoti wako ini ..


Ndizvo zvandakamupindura iye akati

📞 sorry kani Choco , ndakufonera kuti uuye kumba


tommorow morning it's your friend's birthday so we
are planning for the party
📞olk I will see

Iye akati

📞 hiii uuye kani party yacho inganakidze here kana


usipo

Ndipo pandakazoti

📞"Olk I will come as for cake siirai kwandiri .

Iye akati

📞 yah that's my muroora you know your duties


Kkkkk , hanty you know his favorite colour is blue ?

Ndikangoti

📞
📞yes what about the dress code

Iye akati

📞 its royal blue and black .....


Umwe moyo waida kuenda but umwe waiti rega ,
Ndakangokumbira mhamha vakandibvumidza havo
sezvo Gidza vaimuziva zvose nekumu truster

Vana Tiara vekusada kusaririra vaiva vototi


" tinoda kuendawo "

Kiara akamuti

"Ita kuti unoda kuendawo unogoti tinoda iwewe nani


manje"

Asati apindura Moms vakati "hauna kwaunoenda


unoda kunonyadzisa Miara kumba kweshamwari
yake wadhakwa hako wotanga kuita zvako
zvekushadabura makumbo zviye"
Kiara akafa zvake nekuseka ,akachekwa neziso
naTiara iye wacho kwakuti

"Hezvo usanditarisa unoda kundimedz hre "

"Ndichitarisei pamunhu akashata kudaro


ndingamedza munhu akambogara mujeri kuti
ndinopenga here ini"
Tiara ndiye akapindura pfocho dzake vakatanga
kutukana zvikanzi naKiara

"Ini nditori nani ndakaenda kujail panewe zimvana


rakambonoroorwa kwaGuyo uko neharahwa
yakakura kudarika baba vako"

Vakazonyararidzwa naMoms vanhu vose


takutoparadzana umwe neumwe achipinda muroom
make

Ndakarara ndato order cake zvese nemunyorerwe


wandaida kuti rigoitwa ndaiva ndaitisa re30 dollars
riri zihombe risinganyadzisewo kusvika naro pane
vanhu
Manheru acho ndikafonerwa neNew number
ndikambotanga neku ignore ndikazodavira pechi 5

📞 halloe mukadzi zvri sei

📞ndiani

📞ndi P.J amana ndanga ndatokanganikwa nenguvai

📞 haa sorry ndandisina number dzenyu ko muri cy

📞 eh ndri bhoo kuri sei nhai chimoko , ndangoti


ndikuudze kuti ndiri kuuya kuzoku picker by 10 am
so be ready ndimi munhu wacho anotoita kuti party
inakidze and don't say no to me bamukuru
havarambirwe

Ndakangoti "its oky" hangu asi handina kufarira kuita


kwake aiita like voice rake rine kakundi forcer so
Mangwana acho makusen ndakamuka ndikaitawo
mabasa epamba nevamwe then vana mhamha left
vakuenda kuBotique vose nevasikana ndikafonera
munhu wecake aiita madeliveries so
ndakangomusendera location akatouya naro pamba
chaipo and raiva rakanaka aiva ariita exactly
zvataiva tataurirana kuti aite kwabva ndamupa
money yake

Something came up in my mind ndikafunga kuti


hongu Gidza ndakamuvenga hangu nezvaiva zvaitika
mazuva ainge apfuura but there was nothing that can
change the fact that he was my friend, ndakatora fon
yangu ndikamusendera text massage yekuti

📲happy birthday

Kwabva ndangoisenda yakadaro iye akabva


atopindurawo ipapo ipapo

📲 wow thanks Chocobae I was waiting for this


massage shemm

Handina kuzomupindura ndakatarisa kugallary


ndikatora picture rake ndoisa pastatus
ndikangonyora kuti
Happy birthday

Kuma 9 ndikapinda mubathroom kugeza


pakunopfeka apa ndakapinda busy kupfeka
ndichikurura ndichishaya inondifitter chaiyo

Ndakazongotora blue jean short then crop top


yeblack nemahills eblack kwabva ndaisa lip glosse
yangu pamuromo , then kahandbag keblue
nekawatch kacho

Ndakanozvitarisa paglass remudining ndikagutsurira


musoro ndega ndainyatsa kuzvi feeler kuti
ndakachena

By 10 hooter yakarira kugate ndikatora cake rangu


from the fridge kwabva ndachinhonga kastep
ndichienda kugate ndikanovhura gate ndikaona
ziToyota hilax raGidza raka parker ndikatosvotwa
ndafunga kuti maybe ndiye aiva auya kuzonditora
but moyo wangu wakazosununguka ndaona
makagara P.J nezicut rake iro rinenge rakaiswa tindy
ine color yebloundy waiti ukaramba wakamutarisa
waigona kuseka zvaingofa funny funny so plus zvaiva
zvakamufitter
" eh nines pindai pindai time dzakandidya
totongidarika nemutown ndichitenga mabeers zvese
nemaice acho coz handizode kuti ndanokusiyai uko
then ndozodzoka futy"

Ndakapinda muya mota ikarohwa zvemufirimu


ndaiva ndakasenga cake rangu pamakumbo uku
hana ndakaibatira mumaoko ndaingofema chete
patinenge tasvika parobbot riri red , iyo music
ichiridzwa Zimdancell iri pahigh volume mukomana
achigutsurira hake musoro

Takapinda mutown akadzika akanotenga Mabeers


ake nemaice , ini ndakasara ndakagara mumota
paakanditi ngatidzikei ndakarambisisa

Akazodzoka ane umwe mukomana aiva


àkamubatsira kutakura kwabva mukomana uya
andiona sezvo window raiva rakadzika akati kuna PJ

"Ummm wangu ndiro moko rauri kudya here iri ey


wakazoijuma pai ndandi yemwana iyi iwewe
ndokuziya uchi lainer zvipurumunyu"

" iiii wangu ungabva wandidaro here anyway mwana


haasi wangu uyu Ikoso raGidzaman "
" OK haa kana riri rechibaba bhooe kwete iwe haa
iwe unonyenga vana zvibage chaizvo"

Akangoseka hake PJ achiuya kuside rake kuzodriver


akati

"Hoyaaa hoyaa munogona kudriver here nines "

Ndaida kumutsiura nenyaya yake yukunditi nines


plus kungoudza udza vanhu kuti ndri babe raGidza
ini ndaiva ndisingadanane naye zvaitondibhowa , asi
ndakazongonyara ndikapindura zvaaiva abvunza

"Ehe kudriver ndogona hangu"


"Oky nelevel renyu rekunyarara iri ndikaita mari
ndinokutengerai kaHonda fit chete "

Kutaurisa aitaurisa hake asi ainakidza ndipo


pakatotangira nyaya ipapo tikatotanga kurova nyaya
tichiseka then aiva ava kudrivhawo zvri nani volume
yemusic yadzikiswa

Takanosvika paye P.A system yaiva yatosetwa


kudhara , vedeco vaivapo vachimira mira
kudecorater .

Natty paakangoona mota ichi parker akamhanya


akasvikondi mbundira kwabva atotora kahandbag
kangu ndikatakura cake tikanopinda mumba
Ndikawa muine boys dzega dzaitoita nyaya
dzichiseka ndipo paitova naGidza
ndakangovamhoresa vose Natty wekungwarisa akati
atanga " eh guys this is Miara Chocolate Gilliardy's
girlfriend "

Ndakamutarisa neziso ndichi tryer kumutsonya iye


akatoti awedzera manyemwe

"Eh Choco this is Gidza's friends from U.Z "


Ndakangoti

"Nice to meet you all guys" kwabva tatonoisa cake


redu mufridge ndikati kuna Natty

" ko Dady naMoms vari kupi"

Iye kwakukwetsura chikwee chake akati

"Moms namudhara havapo they went out today for


emergency business meeting so we are home alone
gaya nhasi tichanakidzwa ndati"

Aitoratidza kufara nazvo ini ndaisaona chinonakidza


pakuita party pamba vabereki vasipo ndikati

"Iii saka vabvuma hre kuti party iyi iitwe ivo vasipo "
" vanorambira ani Gidza unongoziya wani kuti chese
chaataura vanomuteerera"

Kungonzwa kwangu kuti vabereki vaiva vasiri


around ndakatotanga kusa feeler comfortable
hamenoo kuti ndaivhundukei chaizvo .... ... ..

....

*Stay tuned*

*end of chapter 28*

*chapter 29 loading*

*Lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*THE TRIPLETS*
*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝📝
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 29/ TWENTY nine* 🔥🔥

*Natasha*
Kubva first day randakatanga kuona Miara
ndakangonzwa kumufarira so .
Zvaangova iye nehunhu hwake zvaingoita kuti
afaririke soo,

Ini ndaitomuda kuti aite muroora wangu , ndaiva


ndakatozviiudza kuti , I can do whatever It shall takes
kuti vaviri ava vagume vava murudo

Ndakabhowekana ndichiona mukoma Gidza


vachitiunzira musikana wavo for introduction ainzi
Brenda , chiona zvaiva zvakapfekwa zvacho
ndakaseka zvangu ndichinyatsa kuziva kuti mai Nelly
vaisambofa vakabvuma kuti Brenda aite muroora
wavo aitongoratidza ega kuti hunhu hwake
hwakafumuka apa akaisa mhete pamhino imwe
yaionekwa paguvhu nekuti katop kake kaiva
kakasiya dumbu rose panze

Ndakasvika kumba ndakatsamwa ndikamufonera


mukoma Gidza ndchivava muvavire wangu chaiwo

📞 "Saka iwe hautonyare here ndicho chii


chawatiunzira ichocho heee kuti MuZimbabwe
mapera vasikana hre

📞
📞 unopenga hre Natty next time ndicharatidza Choco
chete coz iwewe ndikaku introducer unozoita basa
rekushora choice yangu

📞 zve choice hautorina hako umwe wangu , ko


vasikana vane hunhu variko wani vana Choco vaye
can't you choose her

📞 ukwane Natty wazvinzwa how can I date my


friend

📞 friend friend kudiikowo unofunga kuti


handizvione hre kuti unomuda but unomutya chete

📞zvamanje manje hauna nyaya iwe bye


Du du du du

Yakabva yakatwa ndikakandira fon yangu paBed


kwabva ndapinda mubathroom kunogeza
ndikadzoka ndikarara zvangu
Kushop yangu yeboots zvinhu zvaifamba kwese
nekusaloon uko kwandaingo collecter mari yangu
yema rentals
Ndaibatsirawo kumanager shop yaChoco yehembe
sezvo iye aiwandirwa nezvekuita kumba kwavo
ndiye aiona nezvemashop amai vake plus school
work

Ndaiva ndine mukomana wangu aiva kuUnvesity asi


aidzidza hake paMSU achiita Bachelor's degree in
fashion and design ainzi Nigel , aindida ini
ndichimudawo asi taisanyanya kuonana sezvo aigara
zvake ari busy nemabooks ake

Ndakazobatikana ndasenderwa massage naGidza


ondiudza kuti aiva achitwa neBrenda wake , asi bad
news dzakazoita good news paakandiudza kuti aiva
azorara naChoco mistakenly , ndakapururudza
kanhururu kekuti vanhu vose vaiva around
vakatombonditarisa apa ndaiva kuBeithtbridge
kwandaiva ndanotambira order yangu yeboots ,

Akandibhowa achiramba idea yandaiva ndauya nayo


yekuti achingogara aroorwa naGidza wacho before
its too late sezvo aiva atokanganiswa , asi iye zvake
kuti nharo kan'an'a kuti ndoda kuenda kumba
kutobudisa nemisodzi nemisodzi
Ndaingonamata kuti dai akabata nhumbu zvino
Mwari haana kupindurawo minamato yangu nekuti
akatoenda kumaperiods zvake musikana wacho

Ndaiva ndonetseka zvino kuti ndoita seiko kuti vanhu


2 ava vapamhidze futi but ndakakasika kufunga
birthday raMukoma Gidza raiva rava padhuze
kunosvika ndikataura naP.J akati aizondibatsira
kudruger madrinks aizomwiwa nevaviri ava then
tova lockera muroom 1 ,

Takatoita iri meeting chaiyo naP.J akati

"Are you sure kuti anouya Choco wacho"

Ndikati

"Ummm anga angori nema doubts uyo I not sure


anogona kusauya tikazvi looser"

" zvisinganetse iwe isa number dzaChoco umu ini


ndomufonera then ndotoita wekunotora kumba
kwavo this deal should not have to fail"
"Yah une plan P.J "

Takanyatsa kuronga and zvikabudawo bhoo bhoo


musikana aiva avapo panzvimbo akanotorwa naP.J as
we planned , Cake raakauya naro rega raingokuudza
kuti nderemudiwa atengera mudiwa wake raiva
rakanaka apa riri zihombe

Ndakaona mazi friends aGidza ava kutarisa Choco


neziso vamwe vachikwenyana kwenyana ndikati
kana muroora wangu anoenda ndikaita zvekutamba
pano kwabva ndati

"Hey guys this is Miara , Gidza's girlfriend" vakasara


vachimupa sando apa iye achindicheka neziso riye
rekuti ndichakubata ini ndikati nechemumoyo
hausati watanga ndine zvihombe
zvandakakugadzirira

Drug randaida kuzoisa mujuice raChoco ndaingova


naro ndakariisa mubraa , uyuwo P.J aiva nerake
raaifanira kunoisa nubeer raGidza ,

Ndainyatsa kunzwa kupombonoka zvimababie


zvaiva zvakazara iro doro nenyama zvakazara apa
Moms naMudhara vaiva vazongoita emergency
meeting vakabuda vose vomhanyira ikoko saka
tainyatsa kuita zvatinoda

Beer ndaimwa hangu asi handina kana kumbobvira


ndariisa mumuromo mangu , ndaida kutanga ndaita
mission yangu
Ndaimutarisa zvangu Miara ndikatoona kuti
zveparting zvaisava maari

Ndakasimuka hangu ndonyepedzera kutamba


zvenhema ndichingozvizunza zunza ndikatarisa
Mukoma vangu ndikaona achiita kuhudhudhudza
uku achiwainiser kamwe kababie , ndikamhanyisa
maziso kutsvaga P.J ndikamuona akamira paside
peumwe mubabie so vakaita kakuzemberana uku
vachitotsvodana zvavo

Ndakangoseka hangu ndikati nechemumoyo "nhasi


ndazoita deal nemunhu akadhakwa ipapa
akutotangana nemababie asati aita mission yedu"
_ndikafamba ndichinopfuura nepamberi pavo
ndikatsika musikana waaikisser iyeye negogo yangu
akayuwira achibva pataiva ini ndikanyepa kuti "sorry
sorry " haana zvaakapindura akafambisa achiridza
tsamwa achibva patiri zvikanzi naP.J wacho

"What"?
Ndikati
"What was that wakutotanga kuJola tisati taita
mission yedu here chiita kuti munhu acheke cake
rake then toita plan remember drug iri rino stickiser
munhu iwe 3 hours chete so pa 3hours ipapo
panofanira kunge paitika something chine
production go go"

Ndakamudaro ndichimu pusher kubva pandiri


mushure mekunge ndaona Miara akachiuya
kwandiri akabata plate yake yefood vanhu vecatering
vaiva vatotanga kupa vangu chikafu

Dj sparks aivapo achinakidza vanhu nemumhanzi


zvimababie zvichiita kuzunza mupunduru ,

Music yakazo pozwa cake rikaendeswa patable yaiva


pastage P.J akatora microphone akati

"Ladies and gentleman allow me to say Happy


birthday to my gee friend Boss Gidza , guys
ngatiimbirei Mr Birthday then vozocheka cake ravo
ravaitirwa surprise nebabie ravo..... "

Havana kuzoendera mberi nekunyepa nhema dzake


vanhu vaiva vakuombera maoko mababie achi
screamer ,PJ aiwedzerera ini ndaingoseka chete
Miara akanditarisa akadzungudza musoro zvake ,
Vanhu vakazoimba happy birthday to you , but paye
panonzi where is your girlfriend akapatsika tsika
ndipo patakazongoonawo kamwe kamisikana kachiti
"I'm here"

Ndakasvotwa ndikada kukamisa iko kakandivhazura


ruoko rwangu kakatoenda mberi kakanocheka cake
naGidza vakadyisana Miara aiva akatotarisa zvake
kuside vamwe vaiombera maoko ndikangoona pane
vanhu 3 vaisaombera kana kunyemwerera ini
naMiara naP.J

Chikamu checake chakapfuura dj sparks akati atanga


kuita zvake chaizvo zvataimuziva nazvo akaridza
song yaConfused iye yekuti kamunamato
kekubhawa
Mwana wese akasimuka waingoti vari apo vari
kuwainisana vari apo vari kutamba masascam dance
,

Ndakasimuka ndikanyepera kutamba zvangu kwabva


ndanotora juice raiva sealed ndikadarika
ndichitsonya P.J kwabva ndapota paseri pematable
aiva nechikafu kwabva ndavhura juice riye
kwakukanda drug riye ndikashaker zvangu
ndikadzokera pandaiva ndasiya Miara ndikawana
asisipo ndikavhunduka ndakushaya kuti angava
aendepi

Ndiri busy kumutsvaga ndipo pandakazomuona


achiuya achiti aiva aenda kutoilet ndikatora water
glass ndikamudirira juice akati
" ummm juice ndarimwisa handicharida plus orange
is not my favourite flavor I like tropical "

Ndakapererwa ndakabata juice but ndakasika


kufunga ndikati

"Tropical yapera xaa pangosara orange juice


harimwirwe kuguta kani hanty haude beer here,
chingomwa rega ndimbonotsvaga hunters 1 uko
ndimboita lift up my mood"

Ndakamupa juice riye ndikamusiya akutura water


glass rese ndikangoti nechemumoyo "step 1 done"

Ndinotora hunters rangu ndikatanga kumwa zvangu

Ndikaona P.J akabata bhodhoro recastle lite iyo yaiva


favourite yamukoma vangu akasvika achimubatisa
akati

"Come on birthday boy"


Asina kufunga kaviri akariisa pamuromo akatanga
kuridhudhudza ndikanyemwerera zvangu ndipo
pakasvikawo rimwewo zigonana rekuUZ rikati "hey
beautiful wat a nice smile"

Ndakangoridza zitsamwa ndikadzokera kunogara


paiva naMiara akati

"Natty xaa Juice iri riri kushata hako chimbonzwa


unzwe zvariri kuita "

Ndakamboda kuriramba ndikaona kuti ndingabatwa


kwabva ndatora kwakungoisa pamuromo zvenhema
ndikanyepera kumwa , ndikati

"Ummm hapana chandambonzwa ini riri kutonaka


maybe inyaya yekuti wajaira kumwa tropical hako"

"Hoo ummm asi ndri kunzwa senge ndiri kunzwa


dzungu hamenoo zviri kuita musoro wangu"

Akadaro uku achipedzisa juice rake raiva rasara


muwaterglass ndikamuti
"Hande timbonogara mumba pamwe inoise iri
kukudaro "

Akatanga kutodzedzereka paye ndikamubata zviri


strong ndikasvika naye mudining akazvambarara
pasofa atobatwa hake nehope hapana kupera 15
minutes Gidza akuyiwawo naye akabatirwana naP.J
neriye zimugomana rekunditi hey beautiful
vakanomusiya muroom make , vakabuda panze ini
ndikasara ndikaita Miara wekusimudza ndikatatarika
naye ndichinomusiya muroom maGidza uyo aiva
akabviswa hembe dzose aingova neboxer chete
ndikaita Miara wekuisa pabed ipapo kwabva
ndavafugidza sheet rehwite raiva pabed ipapo
ndikasiya ndakiyer key ndikaisa mubraa

Ndavakubuda ndikasangana nekasikana kaye


kekuzviti musikana wamukoma vangu kakati

" hey auntie ko ndokumbirawo mundiratidzewo


room yaGidza anocker so ndoda kunorara imomo
Naye"

Ndakangomutarisa neziso rinotaura ndikamuti

" yu beach stay away from my brother ane mukadzi


wake waanoda "
pachiita kupisa🔥🔥
Ndikakadzingira kure ndikaenda panze ndikawana
party yaiva yonakidza zvino

P.J aiva oita ekuchinjanisa mababie ekuwainiser iro


doro achiita rekukutura mabhodhoro
nemabhodhoro

Party yakazopera kumapast 1, DJ sparks


vakarongedza instrument ravo vakarova pasi

Ndaiva ndisina kudhakwa zvangu sezvo ndaiva


ndangogumira pabhodhoro 1 rehunters randaiva
ndamwa , vanhu vakapararira ndikabva kiyer gate
neremote , mafriends aGidza ndakamaratidza room
yavo yekurara vakapinda imomo nemabeers avo
iniwo ndikarara nemafriends angu muroom yedu

Handina kumbonyatsa kurara ndichifunga zvaiva


zvakandimirira kana kwayedza , Gidza naMiara
vaizondiregerera here nezvandaiva ndavaitisa imwe
pfungwa yoti what if vasina kurara vose ndichaita
sei??????

......
*Stay tuned*

*end of chapter 29*

*chapter 30 loading*

*Lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*
*Written by* 📝📝
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 30/ thirty* 🔥🔥

*Miara*

Kubva zvandakasvika paparty Gidza handina


kumbotaura naye aindi avoider uku ini ndichimu
avoider wo ndaisatombodawo zvekutaura naye
Ndaingova chinamira naNatasha wangu, Vanhu
vainakirwa zvavo paparty vanomwa beer vaingoita
rekugeza naro nekuti raiva rakazara neamwe matype
andaisatomboziva, vanogona kutamba vaizvizunza
zvavo , Ini changu kwaingova kuona panoda kuseka
ndaiseka panodawo kudzungudza musoro
ndaingodzungudzawo

Gidza ndaimuona zvangu achiita kuwainisser


mababie , ndaimbonzwa kubatwa nejelous so
hamenoo zvaiva zvava kuitika pandiri ,
ndakangobata hana yangu ndikazviudza kuti Culm
down Miara kwabva ndatodzikamawo paye

Natty akazondivigira juice iro raakatosvika


nekuvhura achidira muwaterglass raaiva naro but
juice racho raiva nekamwe kataste kari different soo
ndakangorimwawo zvekushingirira but to tell the
truth juice iroro raisandiitira zvaro

Ndaimwa ndichiita zvishoma zvishoma semunhu


aiva asina kwekumhanyira , Natty aimbopota
achisimuka achitamba zvake ini zvekutamba
ndaisagona zvangu saka ndairamba ndakangogara
pachair yangu uku ndichiyeverwa zvangu
nevasikana vaichukucha zviuno zvavo nekuzunza
mitaka

Ndakangoti ndichikutura water glass yechi 2 kwabva


ndachitanga kunzwa dzungu mabvi angu akatanga
kupera simba , ndikaudza Natasha uyo
akatozondibatsira kufamba tichipinda mumba ,and I
can't remember zvimwe zvose zvakazoitika, only
kuzongomuka ndichinzwa kubatwa batwa muviri
wangu ndikavhunduka ndichada kusimudza musoro
wangu ndikanzwa uchirema ndikazvishingisa
kusvinura maziso ndikaona ndri mune imwe room
yandisina kuziva ndikacheuka hana yangu ichirova
ndichibva ndasanganidzana maziso naGidza ndikati

"You you you"


Ndakadaro ndichikakama iye akaramba
akashamawo muromo wake akati

"Ukudei muroom mangu Choco"

Akataura nevoice rine hasha uku akarova serious


ndikawedzera kubatwa neconfusion , Padoor pakaita
knock tikambotora time tose takanyarara Gidza
akazoti "ndiani"

"Eeh ummm ndiNatty , mukoma imomo muna Choco


here handizive kuti takazoparadzana sei nezuro
ndaiva ndadhakwa"

"Ehe ari muno pinda "

Akadaro achitosimuka kunopfeka hembe dzake ini


akandikandira sheet ndikangozvimonera naro nekuti
ndaiva ndakatoshama muviri wese kana chivhara
ngozi chsicho ndaiva ndisina

Natasha akatanga akosorera akazopinda kwabva


abata muromo achiti

"Ooh my God "'

Zvikanzi naGidza

"Usanyepera kuvhunduka zvenhema Natty taura


chokwadi , une shuwa kuti ungaronga deal naChoco
mobva mandi trapper kuti ndirare naye ndisingazive
manje hee wakazviitirei "

"Nda-nda-nda..." Kukakama kwakaita Natasha


kwakandiratidza kuti ane zvaaiziva , haana kusiiwa
achienderera mberi nema nda nda ake aiva apiwa
gwati riri strong

Ndikati "Gidza plea.."

Ndikanongedzerwa nechigumwe uku achiita


kushaker body yese akati
"Kana uri sewe nyarara zvako handide zvekutaura
newe you beach ukunyepera kushamisika iwe
wakazvironga naNatty uyu manje uchamama "

Ndakashama muromo wangu ndichida kutaurawo


side rangu ndikanzi

"Shut your fucken mouth, I don't want to hear any


word from you bitch "

Ndakangovhara muromo wangu ndikanzwa pahuro


pangu pakaoma ndikazama kumedza mate akaramba
kuuya , ndikaona Gidza achitora belt akati kuna
Natasha

"Yah ndakuda kudealer newe manje kuti utaure


chokwadi kuti mazviitirei , ndakaona kwati kwati
yenyu nezuro ndikaziva kuti pane zvamaironga chete
manje deal failed "

Akazimudza belt nesimba rake rose ini ndaiva


ndatovhara maziso, ndipo pandakanzwa voice ra PJ
achiti

"Stop stop ko uri kuroverei mwana, munhu aiva


nebirthday nezuro wakumuka uchiita vhaurenzi
zviriko here izvi Man "
Akadaro uku achibata ruoko rwaGidza akamutorera
belt riye ndikaona Natty abata dama rake uku
achibuda misodzi

" P.J ndibvunzirewo vanhu 2 ava kuti i type rudzii


yetricky yavanoda kundiitira kana vachi planner kuti
Choco uyu auye mubedroom mangu kuzondi raper
ndakazvirarira hangu obvious ndanga ndadhakwa
hangu nezuro but we all know kuti uyu Miara uyu
haamwe doro kureva kuti zvese zvaaita aitoita ari
sobber"

P.J akambotora time akanyarara akatarisa Natasha


akadzumgudza musoro kwabva ati

" ummmm wangu nezuro tose taiva tadhakwa and


Choco wauri kuti aiva sober kah uri kutomunyepera
nekuti akazomwa wine akadhakwa zvisingaite
zvekuti ini ndaitovawo ndadhakwawo hangu
handizozive kuti maka connecter sei , usarove Natty
uyu haana mhosva"

Gidza akadzungudza musoro kuratidza kurambirana


nezvaitaurwa neumwe wake, ini ndaingova
muconfusion nekuti kuti nditi ndine
pandinorangarira ndichimwa wine kaa ndinganyepa
asi ndakatoona kuti something was wrong
somewhere zvinhu zvose zvaingoitika zvaitova
strange, Gidza Akati

"Ummm ummmm P.J kna uchitoti wakaona Miara


akadhakwa kaa anenge aitonyepera kudhakwa
achiziva maths dzake haamwe doro uyu itsotsi
munhu uyu zvese neurwu rwupenzi "

Akadaro achinongedzera Natasha uyo aingochema


ari zii iro ziso rakatsvuka kuti piriviri uku
achingokwiridzira madzihwa

P.J akadhonza Gidza akapinda Naye mubathroom ini


ndikatangawo kuchema hamenoo ndaiva
ndarwadziwa neshoko rekunzi tsotsi hre or
kwaivawo kupusa kwangu

" Nines endai munogeza zvenyu kuroom kwaNatty


muchinje tozotaura nyaya yacho ko iwe pawanga
uchishandura mwana wevaridzi wanga uchiti uri
kuitei "

Gidza wacho akati

"Ndandakadhakwazvee ndandichitoti ndiPolite"


Hamenoo zvavakazosara vachitaura ndakatryer
kusimuka kudai kunzwa hazvisi kuita pakati
pemakumbo angu pairwadza kuita sepaiswa
marasha emoto , ndakaona Natty auya kundibata
ruoko akandibatsira kufamba tichipinda muroom
make pasina aitaura neumwe umwe neumwe
aingochema chete ,

Akandisiya ndakagara pabed akanovhurira mvura


mutub yemubathroom ndikananaira ndichinogeza
zvekushingirira uku muviri wangu wese waiita senge
munhu arara usiku hwese achipondwa pondwa

Ndakapedza kugeza ndikawana Natty andiisira


hembe pabed raiva dress repink repant new one
nebraa yacho zvese zvaiva zvitsva ndikazora q 10
yake yaaizora kwabva andipa perfume ndikango
sprayer ndikanzwa zviri nani ,

Ndikati kuna Natty

"Handbag yangu iripi"

Iye pakuti apindure zvandaiva ndamubvunza


akutoti

" uri kuda kuenda kupi xaa please don't go nyaya


yakaipa iyi ukazoita nhumbu zvinozonetsa Gidza
anogona kuzojamuka saka iwe chitogarira pano"

Handina kumupindura ndaisava nesimba rekuitisana


nharo naye ndakangozvishingisa kufamba
ndichibuda ndikanowana Gidza naP.J vakagara
mudining vachiratidza kuti vaiitisana nharo
ndikadarika ndichinhonga kaperse kangu zvikanzi
naGidza

"Wakuendepi futi "

"Kumba"

PJ akati

" eh nines ini hangu ndanga ndichiti sezvo


zvakatoitika zvakaitika imimi nemufessy wangu uyu
madii machingotangirawo ipapo kudanana chero
muchida kuenda kumba kwenyu mosiyawo mataura
something tinzwe kuti relationship yenyu yakamira
sei "

Ndaitonzwa kubhowekana nezvese zvaiitika


ndikangoerekana ndati

"Hapana relationship pakati pedu , "


Iye akatiwo

"Eh bhoo rova pasi , iwe P.J xaa siya zvekunyengerera


munhu kani"

Ndakabuda ndikaona Natty achitevera akabata ma


car keys achida kundiperekedza ndikamurambira
ndakangomuti

"no thanks "

Akandivhurira gate neremote ndikabuda


ndikananaira zvangu kuenda kumacomby
ndikanowana kune bus reZupco raito loder
ndikapinda ndikagara muya , harina kuninoka
kuzara sezvo aiva makusen vanhu vainge
vachimhanyira kumabasa rakazosimuka bus kuma 8
taiva tatova mutown ndikakasika kufunga kutenga
mamorning after angu zvenhumbu ndizvo zvandaiva
ndisingade zvachose

Ndapinda mupharmacy yekutanga ndiri muna banks


street imomo vakati vaisava nema morning after pills
ndikasvotwa ndikabudamo , ndikapinda mune imwe
yaiva muna Rizende vakati vaisava nawo futy ,
ndakangoti haasi mashura here aya ,Ndakabvapo
ndatonanga kune Clio Pharmacy yaiva muna robbert
umu ndaiziva kuti aisashaikwa zvachose but
munyama wandakaita ndakasvika ichiri yakavharwa
APA paiva patova neline revanhu vaida kutenga ,
Ndakabvapo ndodzika naRobbert mapharmacy
ndaimaona asi ainge achiri akavharwa
ndikazonopinda imwewo pharmacy yaiva kuEastgate
ndikamawana kwabva ndanyemwerera
ndichimakanda muperse mangu ndichida
kunomamwa ndasvika kumba zvangu

Ndakanokwira comby inoenda kwedu kumabvuku ,


vanhu vaitaura nyaya vachiseka mucomby asi ini
ndaizvibaya nendangariro zvangu ndichinetseka kuti
chingava chii chakaitika nezuro kuti ini naGidza
tigomuka tiri muroom make tose takashama and it
was obvious kuti takatorara tose

"Eeh tasvika vabereki get out ,get out chirungu


hanchina respect"

Akadaro hwindi uye vanhu vakaseka ini


ndakangodzika ndakarova serious ndikananga
kumba kwamai 3

Ndikasvika mhamha vari busy busy kugadzirira


zvekuenda kubasa vakati

"Eeeh titambirezvee vekubhavhadhe ko hanzii


kuzokasika kudzoka and watogona hako gadzirira
titoenda kubasa nhasi kune Basa rakawanda"

Ndikavatarisa ndakarereka musoro ndichida


kucomplainer nekuti ndaitonzwa kuda kuswera
ndakarara ini, ivo vakakasika kuzviona vakati

"Ndozviziva kuti wakaneta and une hope asi please "

Ndikangovati "okay kwacho "

Kwabva ndanopinda muroom mangu ndikapotsera


kaperse kangu pabed nekutobuda ndonodya
breakfast nevamwe kwabva tabuda takananga
kuBotique kwamai 3,

Takanoshanda musi uyoyo kwaiuya new stock saka


Basa raiva rakawanda rakazozorora tava kudya
lunch and ndipo pandakarangarirawo kuti ndaiva
ndakangamwa mamorning after aya muka perse
kandaiva ndasiya pabed , ndakazvirova mbama
pachidya Tiara akanditarisa akati

"Hezvoo are you okay"

Ndikamuti "eeh wanga watii"


Aksngonyararawo , ini ndikazozvisimbisa kuti
ndaizosvika ndichimwa hanty aiva akanzi 72 hours
here....

*Stay tuned*

*end of chapter 30*

*chapter 31 loading*

*Lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*
*Written by* 📝📝
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 31/ thirty one* 🔥🔥

_Narration_

_Natasha_ aiva akamira mubedroom make uku


achikwizanisa maoko ake aïtoona kuti zvinhu zvaiva
zvisina kumira mushe, plan yavo yaiva isina
kuzobuda semarongere avaiva vakaita ivo vaida
zvekuti _Miara_ abve angotizira day iroro, zvino
musikana wacho aiva nemusoro unopisa akabva
azviramba ipapo ipapo , akaenda kumba kwavo
pfungwa dzichipishana . _Gidza_ aiva akagarawo
mudining naP.J uku Gidza ainzwa nyama dzake
kurwadza semunhu aiva arara achishandura mwana
usiku hwese , plus confusion yaiva yatomubata
aishaya kuti zvaiva zvambofamba sei usiku hwaiva
hwapfuura

"Haaa P.J xaa ini ndakatoneta plus hang over hapana


beer rakasara hre ndimborova 1 ndigoona zvangu
kurara"

P.J anobva aseka zvake oti

"Yah you need to rest zve sure coz warara uchishanda


basa , waona here mwana achinetseka kufamba
kuratidza kuti arara achirimwa nesimbi hombe"

"Kwana PJ handisi mumood nenyaya dzako xaa


nditori nemastress"

"Stress yei munhu arara achinama the whole night


unofanira kutofara xaa mwana uya is every Man's
dream iwe watombowana mukana naye
wakutomushaudha you are going to regret it Man "
"Good day ndakuenda kuWaterfalls kumba kwangu "

"Let me drive you ungatotifira waita accident "


akadaro P.J achitobvuta ma carkeys kwabva vaoneka
Natasha vakaenda

_Miara_ aiva aneta zvino nekushanda kushop


kwamai vake vakazochaisa kuma past 7 zveusiku
vakazoenda kumba , Hapana aiva nesimba rekubika
sadza saka Kiara akangomhanya kunotenga chingwa
patuckshop vakangonwa tea kwabva vatonorara

_Miara_ nekuneta haana kuzombofunga kuti kune


mamorning after anoda kumwiwa naye , akangosvika
nekupfeka kanight dress kake nekuzvikanda
mamubhedha hope dzichitobatawo kana kugeza
chaiko haana kukwanisa kuita zvaaisiita mazuva ose
zvekurara ageza

Tiara ainzwa kubhowekana nekungoswera pamba


zvese nekuenda kuBotique kunoshandira mai vake
pasina pay
Akabva anogadzirisa maCV ake achishandisa
maresults ake e form 4 nee A level ,akatanga
kufamba achikanda maCV ake

Akazofonerwa rimwe zuva achiziviswa kuti


kwaidiwa munhu aizokwanisa kuita secretary pane
imwe Firm yaiona nezvekuchengetedzwa kwema
Mines Munyika yedu ,

Musikana akamuka akageza achiimbirira ainzwa


Mufaro mukuru maari akazobuda muroom make
akaroverera Formal vanhu vose vakamutarisa iye
akatanga aroller maziso ake akati

"Ndiri kumboenda kuinterview, ndakatsvaga basa


nemaresults angu eform 4"

"Ibasa rei iroro rauri kuendera kuinterview"

Vakabvunza mai 3 vachitoshamisikawo nazvo iye


akati

"Reu secretary mhamha , pane imwe Firm inoona


nezve maMines , kucherwa kweGoridhe
nekutengeswa kwaro zvese nekuri exporter"
"Ummm nemadire ako emari aya zvino uko
ukangoita zvako zvekuba zvawajaira kubira ini
hangu mai 3 unosungwa kufira mujeri chaiko"

_Tiara_ haana kuzopindura mai vake aitonzwa senge


vaitaura zvinhu zvinosemesa saka akangomonya
miromo yake ndokutobuda achinogara mumota
zvake ,

Mai 3 vakazouya vakaderekedzana naKiara naMiara


uyo aitonzwa kuneta chaiko hamenoo kuti kwaiva
kushandisa kwaaiva akaita nezuro wacho here kana
kuti ..

Mota yakamutswa vakanosiya dzimwe girls kubasa


kwabva vachi driver futi kunosiya _Tiara_
kuInterview kwake vakadzoka kubasa

Tiara akasara akaitiswa interview yake , paitova


nevamwe 4 vaitodawo basa iroro asi Tiara semunhu
aiva nenjere dziri sharp haana kumbonyanya
kushupika nemibvunzo yacho akabva awana Basa
akanzi

"Congratulations Miss Tiara mawana basa pano pa


Mining Management Company , muchange
muchishanda sa Secretary wepano"

Akafara akabva atofonera mai vake vakauya kumu


picker nemota yavo akavaudza kuti aiva awana basa
vakamubatsira kufara naye kusara kwaKiara
uyo aiva atopindwawo nemweya wegodo

Kiara akambotryer kuzvi hider asi zvakamukurira


akazoudzawo mai vake kuti aitodawo kutsvaga rake
Basa asiyane nezvekuswera achishanda kuBotique
mai vake havana kuona any problem nazvo
vakatonzwa kufara vakati

"Makura vana vangu umwe neumwe ngaachitsvaga


basa raanoda kushanda kana anoda kuvhura
business I'm here to assist , and ndafara nekuti
ndaiva ndakarimirira zuva irori saka kutanga
mangwana hapana achauya kuno ini ndava
kutsvagawo vashandi vachandibatsirawo muno
mushop"

Mashoko aya akafadza Miara semunhu aiva


akatarisana nema final exams ake akatotenda Mwari
kuti aiva awana mukana wekunyatsa kuverenga
mabooks ake pasina zvaizomukanganisa
Kiara akamhanya mhaya kugadzirisa maCV ake
akatangawo kufamba achikanda asi mabasa aaiwana
acho sandiwo aaitarisira aingowanawo ekutengesa
muma Boutique imomo nemuma grocery shops uku
vachideedzera sick money zvino iye airambisisa ,
aitodawo kuwana remumaHofisi rekushanda akagara
zvaiita Tiara

Mai 3 vaiona Kiara achiratidzawo effort yake


pakutsvaga basa asi zvakavanetsa kuti sei Miara aiva
akangonyarara pasina kana chaaitaura
chinoenderana nezvekutsvaga basa kna kuvhura
business zvaro , vakasvika pakumubvunza iye haana
zvizvinu zvaakavapindura akangotsenga tsenga
mashoko kwabva ati

"Ndine kaproject kandiri kuda kurunner don't worry


mhamha kana zvaita it will be a surprise"

Ivo vakangobvumirana naye

Tiara akabva adzokera pahunhu hwake hwekuda


kuganza nekuda kwekuti aiva awana basa aiva
asingachatoite mabasa emumba aingomuka ogeza
nekudya nekutobuda , ivo vekubasa vacho vaonerera
zvavo aiti kupesvuka kusagara pasi iye ari munhu
waSecretary basa rake raimukurudzira kugara ari
pabasa habva iye aisazviteerera ,Vakati vatanga
kumupfimba vakomana , nevamwewo varume
vevanhu vaiva pabasa ipapo iye akati amisa zenze
musikana nefirst day aiva ava kutodanana
nemukomana aiona nezvekutransport logistics ainzi
Alouis

Mai 3 vakanga vambozamawo kumuraira Tiara kuti


anoita semunhu akabva kuvanhu kana asvika pabasa
asi iye akatotora mukana uwoyo kuushandisa zvake
kudzokera pake pemazuva aaipisa ari paUZ

Gidza naMiara hapana aitaura neumwe , vose vaiva


vakatsamwirana nekuda kwezvaiva zvabva kuitika
pamazuva epashure ayo,Gidza mupfungwa make aiti
Miara ndiye akaronga deal naNatasha , uyuwo Miara
achiti Gidza ndiye akaronga deal naNatasha ......

*Stay tuned*

*end of chapter 31*

*chapter 32 loading*
*Lily loves you all*
[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
_vose vari kuda book from 1 use the link to join my
group ndimo mamunopiwa rose kuinbox
handikwanise mawandisa_

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*
*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 32/ thirty two*🔥🔥

*Miara*

Mazuva akafamba zvino Tiara aiva ava kuenda


kubasa , Kiara aingoswerawo achimberereka nedutu
remaziCV ake aaifamba achikanda asi basa can't get

Ini ndaiva ndava kuswera pamba ndichiita


zvemabooks angu kuverenga nekuita marevisions
angu zvangu ,

Taiva tatotarisana nebvunzo zvino hana yangu yaiita


kurova nekutya , asi ndakazozvisimbisa nemashoko
ekuti "kwandakabva ndiko kure"

Ndaiva ndongoswera pamba nguva dzangu zhinji


kana mukana wekumbono dongorera kushop
kwangu ndaitoushaya ndakaiziva kuti Natty ariko
aizoita plan
Gidza haana kana kumbobvira andifonera kubva
musi wekuparty , chero kuwhatsapp chaiko haana
kana kumboisa massage , P.J ndiye aimbopota
achindifonera achingoti " nines , nines ndangofona
kuti ndinzwe hangu kuti muri sei ko hamusati mava
kusvipa svipa here " , Ndaingoseka hangu
ndakätoona kuti Gidza aitamba memurwere wenjere
chaiye , Asi ipapo paakabvunza zvekusvipa svipa
ndipoo pandakazofunga kuti ndaiva
ndakakangamwa kumwa morning after pills aye ,
ndakaridza tsamwa ndichizvi shora nekuda kweu
careless hwandaiva ndakaita , asi
ndakangozozvisimbisa ndichiti inga wani pakutanga
haina kumbobata nhumbu yacho , ndikatosiyana
nekufunga zvinhu zvaizogona kundipa stress
chandaida kuverenga mabook angu

Umwe musi ndichitoverenga zvangu fon yangu yaka


ringer ndikaona ari Natasha aifona

📞helloe hi Natasha

📞 eeh Choco warova xaa kana wakatsamwirana


namukoma vangu hazvireve kuti wototsamwira
neniwo , and wakabva waramwa chero kuuya
kushop kwako anyway ndri kungo manager hangu
asi stuff yasara shoma
📞 haaa kana handina kumbokutsamwira ini Natty
kungoti chete ndanga ndiri busy mazuvano ndri
kumboverenga hanty ukuziva kuty ndava towards
Exams

Iye akati
📞 horayt makoti wangu chimboverengai ndichaita
plan yeku order staff kushop kwako stay safe hanty

Ndakamboda kuseka hangu ndikazoona zvisiri


necessary ndikazongoti

📞 oky iri bol thank yu

Ndika continuer zvangu nekuverenga kwangu ,,


Exam fee yangu yaiva yakatobhadharwa kudhara
naDad vaGidza and I'm sure hapana zvavaiziva pane

vakatombondifonera vakati 📞
zvekusawirirana Kwangu naGidza nekuti
akusvika ka maExams
zimhandara rangu wakaverenga here

Ndakangoti

📞 ndakaverengawo zviri nani


Ivo vakäti

📞 zvakanaka Mwanangu , wish you all the best


Ndakangoti

📞thank you Baba

Mazuva akafamba nguva yekunonyora maFinal


Exams ikasvika , sezvamunongoziva maExams
haanyorwe online panenge pachitoda iwe munhu
kuti unobata paper nepen uripo paUZ

Time table ndakasenderwa ndikabva ndatoona


madays andaifanirwa kunonyora MaExams angu ,
dzaingova 2 weeks chete saka ndakangotora mari
kushop kwangu yandaizoshandisa for transport ne$1
relunch ,

Moms ndakavanyepera kuti

" mhamha project yangu yandakambokuudzai kuti


ndiri kuda kuita ndava kuda kuitanga saka kutanga
mangwana ndichange ndichibuda makusen
ndichidzoka kuma2 "
Ivo vakäti
"Ah hapana chakaipa chitora mari iyi uishandise pa
transport"

Ndaisada kuti vafungire saka ndakangotambira 10


dollars iya ndikavatenda zvangu

Tiara aivapo akagara hake pasofa akakwetsura


chikwee chake ndikamuti

"Ko iwe uri kusekei "

Iye akati "hezvo ko iwe ndiwe chii pano pamba


unondirambidza kuseka , ndizvo zvinokutuma
kutadza kutsvaga basa uchiita Basa rekupiwa mari
namhamha uchingodya nekuenda kutoilet pano
pamusha, project , project yei uchiti nyepera "

Ndakanzwa mazihasha ndikanomumhara nembama


iye akabata dama rake achi screamer akandipotsera
nesofa cushion , akati andidenha ndakaita
zvekujamba ndikanomumhara ndigodonha naye
ndichimutaka nezvibhakera kumeso
Mhamha vakamboramba vakamira hamenoo kuda
kwaiva kushamisika nekuti vaindiziva ndisiri munhu
we violence zvachose, Kiara ndiye akazonditakanura
ndikatombomu pusher pusher ndichitoda futy
kumukwatura
Uku Tiara aiva ava kubuda ropa mumhino akabuda
kunogeza panze patap achingobongomora mhere aiti
kubva kare akatanga kuchema aizonyarara kana
abatwa nehope

Mhamha vakanditarisa vakäti

"Miara wakatanga riini kuita zvemusindo pano


pamba tarisa uone wakuvadza umwe wako ini"

ndikati

"Mhamha Tiara anondijairira zvamunongoziva imi


kubva kudhara achindibata nekuseri kweruoko ,
enough is enough angondidenha chete ndiri
kumudhinda"

Mhamha vakavhura maziso vachiratidza


kushamisika nekuchinja kwandaiva ndaita, and
neniwo zvaitondinetsawo nekuti hasha dzaiva
dzangotanga from know where zvese nepamuromo
ndaiva ndava napo , zvandaisamboita kubva kare
ndaiva munhu akanyarara , ndaiti chero munhu
akandituka ndaingonyarara asi apa ndaiva
ndazochinja

"Kurwa hakugadzirise zvinhu Miara mwanangu ,


usazvidzokorore zvawaita apa handizvide"

Ndaitonzwa senge vaindinyaudza ndikangofamba


ndichinopinda muroom mangu ndakanyarara

Manheru acho ndakarara ndatsvaga hembe dzangu


dzandaizopfeka and ndakatotsvaga kashort neka
crop top chaiko , ndaingonzwa kuda kupfeka hembe
dzinofura mhepo, hembe dzandaimbonyara kufamba
nadzo kudhara ndidzo dzandaiva ndonzwa kuda
kutofamba ndakapfeka

Ndakatanga ndamata, a strong prayer ndikazobva


ndatanga kuverenga zvangu , ndakazomukira kuU.Z
nemaComby

Ndakasvika kuma 8 exam yaitanga na9:00


ndikatoona kuti ndaiva ndakasirisa zvangu
ndakangotsvagawo pekugara ndikatanga kubaya fon
yangu ndikashaya chainakidza mufon muye
ndikatanga kutamba hangu magame
Vakomana vepaUZ vakäti vatanga mabasa avo ekuita
sevanosvikirwa , vaiuya vakasiyana siyana ndichingo
ignore vaitaura vega zvavo kusvika vaneta
vongozobvawo

Ndakazosvikirwa nevamwe vaiva 2 vakomana vaiva


vakachena zvavo ivavo and vachiratidza kuti vaiva
vanhu vaye vane mari dzavo , vakandimhoresa
zvakanaka ndikatotanga kuita nyaya navo ndichiseka
paye vaitova vanhu vari friendly zvavo ,
Takatovarairwa tichitaura hedu nyaya dzingori
general P.J ndiye pfacha kusvika , Haana kumhoresa
vakomana vaye and face yake yakandiratidza kuti
akatoshatirwa akangomhoresa inini chete kwabva
ati

"Boys ndatumwa naBoss Gidza vati siyanai ozve


nekutaura nemoko ravo "

Ndakangomutarisa zviye zvekupererwa uku boys


dziye dzakangoti

"Ah sorry makuruwani " kwabva dzatosimuka fast


pasina kundioneka P.J uya ndokutogara zvake paiva
pakagara vakomana vaye akati

"Right makutozviita chibabie ka nines"


"Asi handisi here "
Ndakamubvunza kudaro iye akati

"Muri munhu wemunhu "

Ini ndikati
." handisi munhu wemunhu I'm single and
searching"

Ndakataura ndakarova serious ,akangodzungudza


musoro wake , ndikabva ndanzwa kusuwa mai
VaGidza ndishaya kuti nekusandifarira kwavo kuya
moyo wangu waivasuwa panyaya dzei .....

*Stay tuned*

*end of chapter 32*


*chapter 33 loading*

*Lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
_vose vari kuda book from 1 use the link to join my
group ndimo mamunopiwa rose kuinbox
handikwanise mawandisa_

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*
*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 33/ thirty three*🔥🔥

*Gidza*

"Haaa wangu hausi wakuzvinyanya here zvekugara


wakangorara zvacho cheer up mhani timboenda
kuConciuas timbonorova 1-2 mabeers umbobvisa
stress"

Ndi P.J aindidaro mushure mekunge ndapedza


mazuva ndakarara kumba kwangu kuWaterfalls,
ndaisada kana zvekutaura nevanhu kana panze
ndaisabuda ,ndotoshaya kuti stress yandaiva nayo
yaiva yei chaizvo ,Asi umwe moyo wangu wainzwa
kuda kufonera Choco ndomuudza kuti I was sorry
about mashoko andaiva ndataura day re after party ,
ndega ndainzwa kuti ndakabhaiza ndaitonzwa
kufeeler guilty mandiri Asi Pride manje ndiyo
yaindikurira plus I was scared about her response
after ndamuti sorry maybe aizondishaudha or kundi
ignore saka ndizvo zvaizoita kuti ndisiyane nenyaya
yekumuti sorry asi ndaitonyatsa kuzviziya kuti
zvandaiva ndakamuitira zvaiva wrong

" haa wangu beer handisi kana kuda kuriona


haribvise stress yandiinayo"

Ndakamupindura P.J iye akati

" haa kwana mhani iwe saka unofunga kuti kuswera


wakarara ndiko kunopedza stress yacho here , iyo
imbori stress yei yaunongo kuza kuti stress stress,
tichakutengera mapills eBP"

"Kutaura chokwadi ka mufess wangu ini ndri


kufeeler guilty nekushaudha kwandakaita Choco day
riye kubva ipapo ndotoshaya kuti ndomutanga sei
gaya "

Iye kwabva atoseka zvake zvekurevesa ndikaramba


ndakamutarisa neziziso rine kakushamisika mukati
ndikabva ndamuti
"What" ?

Iye kwakuti
"unowanza labhu labhu mufessy wangu
ndaikutsonya day riye ndichida kuti usiyane
nekushaudha kwawaiita mwana wevaridzi but
dzungu too much chiona manje nhasi pawava
wangoti Zotororo mumba kunge munhu akabatwa
nesick"

Aitaura achiita seanoseka asi mawords ake aito


maker sense kwandri , ndikangomuti

" I'm now regretting Man handina kana plan yekuti


ndotangira papi kuti ndikumbire ruregerero"

"Haa don't worry hanty wakati birthday rake ririko


musi wa5 September hre unomuitira a surprise
birthday party then wokumbira ruregerero"

" Haa wangu hazviite kah zve party because vanhu


vacho hanty unoziya kuti matriplets here saka
tinenge tava kutoitira vanhu 3 zvinozoitawo here kuti
toti taitira Choco chete then vamwe vake tovajamba
,gaya"
" aizve ko iwe ndi linke ka netumwe twacho two
twasara ndimbowana kekutandadzana zvangu nako
either kaye kane dzungu kanonzani kaTiara Kaye"

Akadaro P.J nekuti aiva asati ambo linker nana Tiara


naKiara asi aivaziva hake pamazuva avo avaipisa
paU Z hamenoo kuti zvaiva zvakapesanawo sei
nekuti wangu Bhururu ndizvo zvaaidawo
zvevasikana vaye vanonzi vanopisa vacho

" haa wangu hausi wakuzvinyanya here ko let's say


wamitisa Tiara wacho , then Miara obva anzi ane
nhumbu yangu futi , do you think its possible kuti
tinzi vakwasha vemunhu 1 hauone kuti Moms iye
tinenge tairemedza here "

Takangotarisana tikatanga kuputika nekuseka ,


ndakazorasira mastress kure uko kwabva ndanogeza
uyu PJ achitamba nemapoto zvekubika ndizvo zvaiva
zvake mukomana wacho wainzwa oti

" beer rinoda warova kajembi kanobata ura waiziya"


Takazobuda tikanodhakwa zvedu nemufess wangu

Mazuva akafamba ndichigara kumba kwangu


kuWaterfalls ndaiva ndava kugara ndri serious
nemabook angu nekuti Exam raiva rava padhuze,
umwe musi ndakafonerwa naDad vakati

📞 "Marova Mhofu zii zii ndeyemunhu ari kuita


zvemabook here iyi , kungoti iwe handikutyire
ndinoziva kuti unoziva zvaunoita , wish you all the
best Son "

Ndakangoti

📞"Thanks Dad "

Kwabva vato dropper ndikaita video call nasisi Nelly


uyu aiva atova Mujoni Joni chaiye nekuty aiva atova
negood 3 years asina kudzoka kuZimba achingoti
ndakapreswa nemabooks , Dad naMoms ndivo
vaingomuona pavaienda kuma Meetings ebasa plus
vaiva necompany inogadzira stationary ikoko saka
vaigara variko

Nelly akanditiwo
"Wish you all the besties broe "

Akatokata nekuti taiva tisina nyaya dzinoenda kure ,


taisanyatsa kuwirirana nenyaya yepamuromo pake
taigara takarwa chero kutukana pafon
taimboshaudhana

Natty akandisendera iri massage akati

📲 zvauriwe ugorega kuverenga uchifunga Choco

Ndakangoseka zvangu ndikarega kumupindura


mwana wamai vangu aitova murwere chaiye
pakutaurisa aiva akatodza tete mai Givy , imwe
hanzvadzi yaMudhara yaigara muMarondera uko

Mhamha vakandifonerawo vakati

" ukangofoira usauye pamba pangu ndakazvinzwa


kuti wava shasha yekudhakwa , neSunday uuye
tiyende kuChurch unobviswa mademon "
Ndakangoti " oky Moms take care" ndikakata fon
yangu ndichiseka zvangu Muchembere wangu
yaitova imwe type chaiyo dai vaiziva kuti ndaiva
ndambomira kuita zvekumwa mabeers but
ndaitoswera paden ndichirova books

Day remaExam rakasvika ndikaenda zvangu kuUZ


ndikamboda kuenda kunotora Choco nemota but
ndakashaya kuti ndaizosvika ndomuti chii,
ndaitonzwa kuzvinyarira ndikangosiyanawo nazvo
ndichizviudza kuti
Ava munhu mukuru aizoonawo plan

Ndakasvika ndika parker mota yangu ndikambono


chiller mudom mangu ndichiverenga hangu book
resubject rataida kunyora day iroro , ndikazobuda
ndafonerwa naP.J akandibvunza kwandaiva
ndikamuudza akati

"Wangu fambisa uuye kunoku kudhuze neku gate


mombe mumunda "

Ndakashaya zvazvaireva ndikamuti

"Kuti mombe mumunda ndiko kuti kudii"


Iye akati

"Come on Man pane vapfanha vari kutambira


pataritory pako , ukanonoka unodyirwa Choco wako
kutaura kuno ari kutonyengwa "

Ndakabatwa neJelous ndikabuda mudom


ndichimhanya kwabva ndasangana nevamwe
Professor vai teacher paUZ vakambondi taudza
taidza but ndakavanyepera kuti kune
kwandaimhanyira ndikafambisa ndikanosvika
pamota paiva naPJ , ndaitonzwa hasha ndikafunga
kunonetsana neboys dzacho but PJ akandirambidza
akati

" haa rega ndiende inini coz ummm wangu hasha


dzaunadzo unogona kunomutsa vhaurenzi apa
tichida kunyora maExams "

Ndakasara ndakafuta ndiri pamota paye PJ


akangosvika hamenoo zvaakangotaura hapanawo
kupera nguva mafess aya akabva abva ini ndkasara
ndikaburukawo mumota ndikafamba ndichienda
paiva pakagara iye PJ nàChoco but ndisati ndasvika
ndkashamisika ndichiona Brenda amira kumberi
kwangu apa akapfeka tuhembe twakashama
pandakangotarisa mikaka yake kudai ndakanzwa
kumerera iye akati
" hi honey ndanga ndakusuwa"

Akadaro achitondipa hug ndakamboramba


ndakatenser ndikazongomu mbundirawo back ,
tikaregedzana ndikashaya zvekutaura naye aiva ava
nekamwe kakuwedzera kunaka kaaiva aita so iye
akazviona kuti ziso randaiva ndakamutarisa naro
raiva reruchiva chairo akabva

"I know kuti wanga wandisuwa xaa but I'm sorry


nezvakaitika that day it was a mistake"

Ndakaramba ndakanyarara futi hamenoo nyama


dzangu zvadzaiita ndaitonzwa kuda nezvaBrenda but
mumoyo mangu ndaitoziva kuti it was wrong move
kudzokerana naye

Iye akaswedera padhuze neni akati

"Wazvisuwa kaa zvese izvi , unditsvage after Exam "


ndikangokwanisa kuti

"Eh bhoo" uku ndichinanzwira muromo wangu

Akabva atononga kastep kake kekuzunza magadziko


achibva pandiri ndikasara ndaka sticker zvangu uku
maziso angu achiramba kubva paari
Hapana kuperawo 10 minutes siren yekuti maExams
atange yakabva yaringer vamwe nevamwe vakaenda
kumaHalls avo zvichienderana nemaDepartments
ezvavaiita ini ndaiita Accounting tese naPJ
taitonyorera musame hall , Asi Choco aiita Law saka
taiva muma different halls

Exam rakatanga ndikanyatsa kufara ndichiwana


mune zvandakaverenga zvega hazvina
kumbondishupa ndakaita kuita inonzi Walk over
pamusoro peQuestion paper

Exam ikapera na12 tika dissmiswa , PJ akati aiva


achida kuendesa Choco kumba kwavo nemota yake
ndikangoti
"Pachenyu "

Ndakabva ndafunga Branda ndikanzwa mashoko ake


aye ekuti

"Nditsvage after Exam" achiunga munzeve dzangu


ndikangotora fon yangu kwabva nda unblocker
number yake ndikamufonera iye Akati aiva kulibrary
ndikamuti "huya kuroom kwangu now"
Iye akati

"Oky hunny I'm coming"

Ndikanyemwerera ndichiti

"See you then"

Ndakaenda muroom mangu ndikanogara pabed


ndichiona move mulaptop mangu, pasina nguva
padoor pakaita knock Brenda akapinda akalocker
door kwabva auya kundigarira pamakumbo pangu,
ini ndaida kutanga ndaonesana naye nekuti zverudo
naye paiva pasisina asi ZveMjolo nekungoitisana
ndizvo zvandaida kuita naye but haana kundipa
mukana akatanga kundidya muromo wangu achiti
akaita wekusvisvina omboita wekusveta , ndakapera
power akatanga ariye kubvisa hembe akasara ari
mubirth suit , teverere abvisawo dzangu hembe
kwabva ndatoona kuti speed yake yaiva yakawandisa
ndikati

" Brenda wait"

Ndaiva ndoda kupfeka protector asi Brenda wacho


akabva atobata shefu vangu vemubhurugwa umu
akaita vekugarira ndikabva ndatoita sex naye
without protection
Zvezuva uri takaswera takavharirana
ndichimushandurudza , akazobuda ndikamupa 50US
kuti anotenga zvaaida plus ma morning after iye
akagutsurira musoro wake kuratidza kunzwisisa
chose , P.J handina kumbomuudza kuti ndizvo
zvandaiva ndaita ndaitya kuti aizondituka saka
zvekuti ndaiva ndaita sex naBrenda yaiva secret
yangu ndega, hamenoo kuti paaizotiona tiri tose
aizotii nekuti Brenda naPJ kubva kare zvaiva
zvakamakana , ndaimbovabvunza kuti inyaya yei
yaiita kuti vasawirirana asi hapana kana 1 wavo
aitaura zvinobatika

Ndakazorara kuschool mdichiverenga ndamirira


Exam rmangwana acho
.......

*Stay tuned*

*end of chapter 33*

*chapter 34 loading*

*Lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
_vose vari kuda book from 1 use the link to join my
group ndimo mamunopiwa rose kuinbox
handikwanise mawandisa_
*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*


*CHAPTER 34/ thirty four*

*Brenda*

"Iwe PJ siyana neni kana ndisingachakude imhosva


here"

Ndini hangu Brenda ndairamba mukomana wangu


wandaiva ndava ne2 years ndichidanana naye anonzi
PJ mushure mekunge ndaona friend yake uyo ainzi
Gidza airatidza kuti ane mari yakawanda kudarika
wangu PJ

Relationship yangu maPJ taiva tabva kure asi yaiva


secret relationship iye aisada kuti mafriends ake
azive kuti taidanana hamenoo kuda ainyara neni
here and PJ wacho haana kana kumboratidza
kurwadziwa nekumuramba kwandakaita aitoratidza
kuti zvese bol zvake and ndipoo pazvakaperera
zvangu naye

Ndikabva ndatanga kuita ma actions ekutambira


padhuze naGidza ,
And Gidza wacho yaitovawo type inoda zvinhu
zvekuti haana kunonokawo kudyira akabva atokanda
shoko ndikati nechemumoyo wanonoka wataura ,
Ndakabva ndatomubvuma tikatanga kupisa love but
zvese zvekuti ndaiva ndambodanana nefriend yake
aisazviziva

Apa Gidza uye akatanga kunyura murudo zvishoma


nezvishoma aindida zvandaitoona ndega kuti apa
ndinodiwa and hapana chandaiti ndinoda
akandinyima aindiitira zvese nemoyo wake wose

Ndaidanana nedhara rangu raiva neBhawa saka inini


nafriends angu tagara taiita zvema Sugar Dadie
tichidya mari dzemadhara

Ndaiva ndava kuswera kubhawa ikoko sezvo taiva


takavhara kuVasity kwedu saka ndaingobva kumba
ndichinyepera Moms kuti ndri kuenda kugroup
discussion nevamwe ini ndonoswera zvangu naMr
Hub and dhara raibudisa mari zvaro iroro , ko
ndaigozivei kuti PJ aiita basa rekuongorora
mamovements angu ose , ndakazorohwa neshock day
randakabatwa red handed naGidza ndiri mumba
maMr Hub vaye , ndakatonzwa kuzvinyarira nekuti
baba vandairara navo ivavo vaitova old enough to be
my father , chero zvazvo baba vangu vacho
ndaisavaziva
Ndakanzwira PJ mazihasha ndichinyatsa kuziva kuti
ndiye chete aiva aita mabasa ekundibatisa naGidza
wangu

Day iroro ndaiva ndatopedza kuita sex naMr Hub


kwabva ndazobatwa naGidza , saka ndakangobuda
mumba muya ndoita zvekutiza ndakango nhonga
kahandbag kangu ndikapoterera nekuseri kwema
toilets ndiye tachi ndakananga kumacomby

Ndaiva ndavhiringika zvekuti ndakakangamwa kana


kudarika ndichitenga mamorning after muphamarcy
kwabva ndangonanga kumba kwedu kuKambuzuma
uko kwandakasvika mai vangu vachishaudhana
naStepDad vangu , handina kumbozviisa mumusoro
semunhu aiva atojaira kuti ndiyo life yepamba pedu
yekuti mai vangu neBoyfriend yavo vaigara
vachingorwa maIssues acho aisapera pakäti pevaviri
ava and ini ndaitonzwawo kufurwa nemhepo kana
ndri kuChikoro, seipapo vaishaudhana stepfather
vangu vachiti

" usada kuvarisa iwe Shuvai unonyatsa kuziva kuti


ndini ndiri kukuendesera pfambi yako iyi kuchikoro
asi iwe ndipo pooswera kuda kundituvhairira
ndinozvivharisa hedu"

Mhamha vakati
" zvivharise hako zvee unoti ndini ndingazvigona
here zvako zvekugara uchindishusha uchiti
ndikuzvarire mwana mukomana inga wani mukadzi
wako wawakasiya kumabvuku uko aingovawo nema
Triplets vasikana vose futi saka musana wako wagara
ndewe kungobudisa vakadzi chete"

Step father vangu vakati

" saka zvinobetserei kuti ndakatiza mai 3 ndouya


kuno kwauri iwe wacho wozvara zve vasikana ,
pamusoro pazvo woita chipfambi , ukaramba uchiita
hunhu hwako ndinodzokera kunaMamoyo wangu
aitondi respector sababa vese nevana vangu
vandakangofuratira kubva vari magrade 7"

Haaa vakakweshana vachiudzana magara moyo


ndikangozosvika pakusiyanawo nekuteerera
zvavaitukana zvacho ,,,

Kubva ipapo ndakanga ndarambana naGidza , zvese


naMr Hub vacho ndaiva ndatova blocker , saka
ndaiva ndava kuwanza kuswera paden , kana
pandaitobuda ndainge ndichitonoona Melliser
sahwira wangu

"Brenda nhaiwe Brenda wee"

Ndimoms vangu vaindideedza ndiri muroom mangu


mandaiiita zvemabooks angu ndikadavira vakati
"Zvino zvaunoramba wakati zii urimo wati nhasi
hatidye here , muka utotibikirawo sadza nebeans dzri
mufridge umo dzandaka boiler , handiti kana uripo
kudai ndinenge ndichitoti undibatsirewo mabasa
zvino iwe wacho mazuvano une nungo iwe"

Ndakamukawo ndikabudisa beans mufridge muya


ndikadzibika zvakanaka , zvikagoti kubvira kare
beans ndaidzifarira ,
Ndakanyatsa kubika neka coffie kangu paside ndika
setter table yangu ndikadeedza vanhu , taigara tiri 5 ,
Moms, StepDad , nevapfanha vangu 2, vaiva matwins
vasikana ,Shanel na Shenon
Vanhu vakagezeswa maoko zvakanaka tikanamata
tikadya sadza nebeans zvainaka izvozvo , ndaiita
kukambura ndichinanzva maoko zvekuti

Shenon akasvika pakunditi

"Iiii wangu idya mushe"

Pandakada kumupindura ndikabva ndanzwa kuda


kurutsa , ndikamhanya ndichienda kubathroom
ndikanobokora kuita sendichabuda neura ,
ndikangogeza mukamwa nekutonorara .. Ndaiva
ndava kufungira kuti maybe ndaiva ndakabata
nhumbu yaMr Hub nekuti ndiro rega day randaiva
ndakakangamwa kumwa maMorning after pills
Ndakazoona kuti ndaiva ndajamba kuenda
kumaperiods July wese ndikatoita zvekumhanya
kumashops epedyo kunotenga kapreg test ndichida
kuconfimer kwakubva hana yangu yarova ndichiona
kanyatsa kubudisa 2 malines ndakaita sendicharidza
zimhere chaiko ," Shuwa ndinganzi ndamitiswa
nemudhara uye iiiiii kana hazvigone , apa
ndofanirwa kutoita plan and I have to think fast "
ndini ndaitaura ndega

Ndikaronga ndikaronginyora kusvika ndasara netwo


maopptions either kubvisa nhumbu yacho or
kutsvaga some1 wekunyepera kuti inhumbu yake ,
Pakubvisa ndakatya kuzofa ndainginzwa nyaya
dzakawanda dzevanhu vakafa vachi tryer kubvisa
nhumbu saka ndakakandira pfungwa yacho kure
ndikasara neopption 1 yekutsvaga munhu
wandaizonyepera kuti nhumbu yaiva yake
And munhu wandakatanga kufunga ipapo aiva Gidza
ndikaona kuti ndikamuendera panyama ndogona
kuzvi looser saka ndakabuda mumba ndonoona
vamwe mai vainzi mai Tamuda vaita zvemaNjuzu
saka vaitoziikamwa nembiri yekugona kugadzira
zvinhu zvakaita sekugadzirira vanhu vanoda kutora
varume vavanhu kuita vavo zvachose ,kana kupa
vanhu mushonga weku seducer waiita kuti munhu
angonzwa kukuda so , and iwoyo ndiwo wandaida

"Eh nyaya yako ndainzwa chisikana ndipe 5 dollars


chete chete yekupembedza matare "
Vakadaro mai Tamuda vaya vachigadzira rasta ravo
raiva mumusoro iro raiva rakasviba kuti tsvaa ,
Ndakangobudisa 5 dollars vaye kwabva ndavapa
vakapinda mumba mavo vakanouya nezvinhu
zvavaiva vakaputira mukapepa vakanditambidza
vakafuratira vakati

"Umu mune mushonga wakasangana nebute , unoisa


mumafuta ako ekuzora kana wava kuenda kuno
seducer munhu wawati unoda wacho ,asi
unoushandisira munhu 1 , ukada kuuzora
ichinosangana neumwe munhu futi unenge
watocharika mhiko"

Ndakagutsurira musoro ndikafamba ndichibvapo


zvangu , ndakanyatsa kutaimira zuva raitanga vanhu
kunyora maExams ini ndaiva ndri muthird year saka
ndaisanyora chandaingófambira kuChikoro mazuva
iwayo kunozadzisa mission yangu

For sure wakashandawo mushonga wacho nekuti


ndakatoona ndega kuti Gidza aiva adyira , worse
paakazondifonera kuti ndiende kuroom kwake
ndakafara kani ndikaita kuscreamer ndikaenda
ndikasvika ndichimuitira zvebasa chaizvo , perse
yandaifamba nayo yakamupedza power zvekuti
akashaya kana mukana wekupfeka protection ,
ndikanyemwerera zvangu achibudisa 50 US achiti
ndinotenga zvandaida nema morning after
ndikangigutsurira musoro zvenhema

Ndainyatsa kuziva kuti ndaiva ndamu winner Gidza


ndaiva ndangomirira kuti papere 1 month chete kuti
ndigomuudza kuti "Dzedzi nyemba dzedu dziye
dzakazozvimbira"

Ndaiva ndazvipira kusiya chikoro ndichitonoita


mukadzi waMhofela , ndainzwa kufara ndichiziya
kuti ndaiva ndakuzotiza madrama ekumba kwedu
ekunetsana kwamai vangu naStepDad vangu

Ndaiva ndakutozviona ndava mukadzi waLandlord


ndichigara kuZiimba raGidza reku Waterfalls ,
ndaingonyerera zvangu ndipo pakasvikawo Sahwira
wangu Melliser ndikamutsanagurira zvaiva
paground akati

"Iiii bestie hazvizonetse here vasikana kupa munhu


nhumbu isiri yake"

Me: hapana chinombonetsa apa ndoziva zvandri


kuita "

Iye akati

" ah hoo kana uchiziva hako zvauri kuita asi dai


wangoibvisa xaa ko chikoro wodii"
Ndaitoona achida kundidzorera shure nepfungwa
dzangu ndikamuti

" chikoro ndotisiira ipapo xaa , haa zvekubvisa no


ndotya kufa ndikasiya ngoma ichirira , life
inonakidza iyi "

Akangomonya maromo ake akafamba achibva


pandiri ndikangoti nechemumoyo , ummm rinenge
jealous chete rabata apa......

*Stay tuned*

*end of chapter 34*

*chapter 35 loading*

*Lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
_vose vari kuda book from 1 use the link to join my
group ndimo mamunopiwa rose kuinbox
handikwanise mawandisa_
*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 35/ thirty five*


*Miara*

Ndakafara first day ndakanonyora maExams angu


and aiva akapusa zvekuti ,Gidza handina kumbobvira
ndadhumhana naye and ndaitonzwawo kumuvenga
zvangu ska handina kumbotsvaganawo naye , PJ
akandi offer transport ndikabvuma ndaitonzwawo
nungo dzekuenda kuma comby zvangu

Week yakapera ndichingoenda kunonyora maExams


angu asi second week yacho ndakazotanga kurwara
nemudumbu maingoruma ruma ndikanotenga
mabrufen añgu kupharmacy ndikamanwa
pandakasvika kumba ndakatomwa ndri muroom
mangu

Hapana kupera 15 minutes ndakabva ndatanga


kurutsa ndikatoabudisa mapiritsi acho
zvikatondinetsawo kuti ndakätanga riini kurutsiswa
nemabrufen

Day racho iroro handina kurara mudumbu


muchindizvungura , ndaingonzwa mate kuwanda
mukanwa ndikatora kajira kekusvipira ako
kakamuka kakaita kutota nemate chete

Moyo wangu waingoramba uchinzwa kusuwa mai


vaGidza ndikasvika pakufonera Natty ndichida
kumukumbira number dzamhamha iye akati

"Oky makoti wamie number dzaAmwene vako


ndinokupa asi ndine 1 question"

Pose pàaitaura voice rake raiita kakundinakidza so


ndaingoramba ndakateerera iye akasvika pakuti

" eh helloe makoti uchiripo hre "

Ndakaita kakuvhundukira ndichiti

" ehe watii Natty ukundipa here number dzaMhamha


ndavasuwa ini"

Akangoseka hake akakata fon kwabva atokanda


number dzamai vake

Ini ndikadzisaver kuti

❤❤
" beloved Mom" ❤❤ kwabva ndaisa tuma hearts

Ndakatofona ipapo ipapo but haina kudeerwa


ndikadzokorodza futi kwabva yazodeerwa vakati

" eh helloe ndikutaura nani" voice ravo


rakanyevenutsawo moyo wangu ndikadeera ndine
confidence ndikati

" ndini Miara makasimba here mhamha "

Ivo vakati "Miara upi sorry I'm lost"

Ndikakasika kufunga kuti hoo Gidza aisandideedza


achiti Miara aingowanza kuti Choco

Ndikati "ndini Choco mhamha"

" oky Choco ko kwakanaka here"

Ndakàpererwa nemubvunzo wavo ndikakasika kuti "


ah kwakanaka mhamha ndanga ndichingoda kunzwa
kuti muri sei "

" ndri bhoo"

Ndiyo mhinduro yavakatondipa vachibva vatokata


fon yacho ini ndikati nechemumoyo
haada chero vakandimaka chakakosha ndechekuti
voice ravo ndarinzwa

Chirwere chekunzwa mate achiwanda mukamwa


hachina kupera asi ndainyanya kuchinzwa manheru
saka ndaiva ndatojaira kurara nekajira kangu
kekusvipira

Second week yekunyora maExams ndaiuya


ndichitorwa naPJ nemota yake zvose nekundidzosera
Gidza ndaingosangana naye achindimhoresa ini
ndichiramba ndakanyarara sendisina kumunzwa
zvangu , asi PJ aiedza nepaanogona napo kuudza
vanhu kuti uyu ndiye mubabe waGidza ini
ndakambotanga ndichimutsiura asi ndakasvika
pakuneta chaipo ndikaguma ndasiyana nazvo hangu

Brenda musikana uya wekumbodanana naGidza


akazomu cheater ndakambodhumana naye paUZ
akandimhoresa nerudo rwake rwose
achitondimbundira habva ini ndaitonzwa kusvotwa
naye zvangu kunyanya mazi makeup aaiva
akapushira kumeso ndaitonzwa kuda kurutsa zvangu
ndakangomunhoresa imwe iya iya , ndofunga iye
akazvionawo nekuti haana kana kuzombonditsvaga
futi

Last day rekunonyora vanhu vaiva vakaronga


kaparty kekuonekana vakabvisa mari ma10 dollars
ini ndikangozvirega nekuti ndaiva ndotya kuita
zvemaparty izvi ,and ndaiva ndagara ndri munhu
asingade mafaro too much

Ndakatoti ndapedza kunyora kwabva ndambogara


hangu pazvi bench zviripo paUZ ndakamirira Comby
nekuti P.J nekudisa kwaanoita mafaro obvious
aitosara achiita zveparty

Pakabva pasvikawo umwe mukomana aitova


akapfeka hembe dzeFormal akasvika akandimhoresa
hake zvakanaka naka ini nyaya mazuva iwayo
ndaidzida sei , chero kumba ndikangonzwa vana
Tiara naKiara vachitaura nyaya dzavo ndaingisvika
ndichidavirira zvangu

Takatanga kurova nyaya nemukomana uya aiva


andiudza kuti anonzi Prosper and aiva munhu uya
ari open zvekuti uku Comby yacho yakanonoka
kuuya akasvika pakuti
"Ah Miara Comby yacho iri kunonoka kuuya iyi rega
ndimbodzokera mukati umu ndinoona umwe mufess
wangu , iwe chibva waisa number dzako mufon
mangu tizotaura "

Handina kumboona paine chakaipa paku exchanger


macontacts naye , ndikatora fon yake ndikanyora
number dzangu ndava kutoda kumudzorera Gidza
akabva angosvikawo from nowhere uku PJ achitevera
kumashure , vaiva vakapfeka face dzebasa zvekuti
kana neni ndakatovhunduka ndikangotambidza
Prosper uya fon yake uyu P.J akati

"Iwe mupfanha deleter number idzodzo now"

And for sure akadzi delitiswa ndakatarisa kudai


akanzi naGidza

"Chibva pano"

Akafamba asina zvaataura ini ndikasara ndine


confusion ,pakambopera dzinenge 10 minutes pasina
ataura neumwe tose tiri 3 Gidza ndiye akazodzima
runyararo achiti
"Makutokangamwa ka zvamakafambira pano paUZ
wakuda kuita basa rekunyengwa"

Presence yake yaindi irritater zvekuti


ndakangoerekana ndamuti "Chero ndikanyengwa
zvinei newe uri chii unondichengera ndiwe baba
vangu here iwe "

PJ akanditarisa zviya zvekushaisika uyu Gidza akati

"Hoo ini handisi chinhu pamberi pako haa bhoo


tichasangana "

Ini ndaitonzwa kuda kumirisana naye tichichinjana


mashoko asi iye akabva atofamba achibva pandaiva
ini ndikasarawo ndichiridza tsamwa, PJ akambotryer
kudeedza Gidza asi iye akaramba akaomesa gotsi
rake
Tikasara takasvunurirana paye naPJ akazoti

"Rough yamuri kuita these days bhoo here nines "

Mood yangu yaiva yatochinja naPJ taiwirirana asi


Gidza ndaisada kana kumuona padhuze neni
zvachose , takatozotaurirana tichiworirana paye
akanditengera lunch yangu yandaifarira yemadonacy
aye ane cream pakati neminute maid yangu yeflavor
yegrape, akazondisiya ndakwira Comby inopinda
mutown kwabva ndananga kushop kwangu
kwandakanoitawo lucky rekusangana naNatty ariko ,
ndakafara kuona mushop mangu makazara stuff and
pasina kana paiva neproblem zvekuti ndinga
complainer

"Ummm Choco ko mapundu kumeso bhoo hre , asi


wakachinja mafuta kai huummmm mapundu aya ari
kutoshatisa skin yako "

NdiNatty aindidaro uku takatogara musaloon make


mandaito styliwa mabraids aiva mumusoro mangu ,
ini ndikati

"Ndiri kutoshaya kuti akabva nekupi mazi pundu


iwaya handina kumbochinja mafuta ini chero sipo
chaiyo ndiri kungogeza neLux yangu yemazuva ose"

Iye akaramba akanditarisa achisekerera ndikamuti

"Ko chii asi ndamera nyama kai , ko hindava


kungoramba wakandidzvokora kudaro "

Iye akati

"Kutaura chokwadi nhasi wauya wanyatsa


kundichinjira Choco"
Ndikatoseka hangu ndichimuti " handina
kumbochinja ini Natty inyaya yekuti wanga
wandisuwa chete and wanga wava netime usingaziye
kundiona that's why wakuona senge ndachinja"

Day iroro ndakaswera kuShop kwangu ndichiona ona


semunhu aiva aita nguva yakati rebei asingauye

Ndqkazoenda kumba time dzatofamba , apa


ndainzwa kungoda zvinhu zvinotapira muamwa
mangu ndikatenga chocolate ndiaidya ndichifamba
kuenda kuna forth kwabva yapera pasina
kwandasvika , ndini uyo turner ndakananga ma OK
kwabva ndangotora mabox angu 2 emaChocolates
ndichibva ndanobhadhara zvangu , ndakafamba
ndichimadya mucomby sebenzi vanhu
vainginditarisa asi ini ndaitova ndagarwa nemweya
weka I don't care attitude

Ndakasvika kumba ndichingodzvova chocolate chete


and macardbox acho ndaiva ndakaita ekuputira
neblack paperbag kuri kutya kumbirwa nana Tiara
vekudisa zviro

Ndichingopinda mudining ndakatambirwa nemweya


weperfume yeBervelly hills yaishandiswa naMhamha
wakasvika uchiita kundirova pamoyo ndikanzwa
kuda kurutsa ipapo ipapo ndikabva ndabata muromo
wangu ndikamhanya ndakananga kubathroom
ndikasvika ndichinzwa Tiara arimo achigeza
achiimbirira ndikamhanya ndakangobata muromo
ndikanorutsa chocolate iya yose lucky enough kuti
muroom mangu ndinogara ndiine bucket ,and
hapana akamboonawo chiitiko ichi nekuti mhamha
vaiva vakagara mudining vakaisa ma earphones avo
saka hapana chavakanzwa kana kuona zvavo ,
ndakakwesha mazino angu ndikamirira Tiara apedza
kugeza ndikanoflasha marutsi aye kwabva
ndagezawo asi ndaiva ndatova so low zvekuti chero
sadza remanheru handina kuzodya, chimwe chaiva
chonyanya kunditambudza yaiva nyaya yekufunga
kuti ko chingave chii chaikonzeresa kurwara rwara
kwandaiita uku pamwe chete nekurutsa , asi
ndakangozozvisimbisa ndichiti pamwe ndaiva
ndadya maChocolates akawandisa

Mazuva akafamba ndichingogara zvangu pamba


sometimes ndaipota ndichimbono checker kushop
kwangu

Kiara basa raiva ramunetsa saka mhamha


vakamuvhurirawo tuckshop pamashops pakamunhu
vakati a runne business rake ,

Tiara aiva ava kuita kuchena uku achichinjanisa


mahairstyle emari , pay yake aingodya ega kana
kutengera mai vake chero chivharangozi zvacho

Apa aiva ava kuuya achi pikwa neku dropewa


nemazimota aye emutupo , ini ndaingotarisa zvangu
dzimwe nguva aiuya nenyama yakeyakagochwa uku
achinhuwa doro woshaya kuziva kuti munhu anga
ari kubasa here kana kuti

Mhamha vaingoona zvavo vakambomuti

"Sisiteri kana matanga zvevarume vevanhu ka , this


time unouya wava mukondombera ndipo pauchaona
kuti hauna kungwara"

Iye akaramba zvake ari zii kunyarara kwake


Kwakangoratidza kuti aiva atotanga futi
zvekudanana nemadhara
.......
.

*Stay tuned*

*end of chapter 35*

*chapter 36 loading*

*Lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
_vose vari kuda book from 1 use the link to join my
group ndimo mamunopiwa rose kuinbox
handikwanise mawandisa_

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*
*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 36/ thirty six*

_Narration_

Brenda ainzwa kunakirwa zvake nelife akagara


pamushana kuseri kwedom rake uku achizvikuvadza
zvake nenyama yehuku yaaiva atenga kota chicken ,
aiva ava kungogarawo zvake kuchikoro akamirira
kupedza semester yake yethird year sezvo aiva asina
tarisiro yekuzodzokera kuchikoro kupedzisa
University level yake, pfungwa dzake dzaiva
dzongoda kuti achingoenda kunogara naGidza chete,
fon yake yakabva yaRinger akavhunduka semunhu
waiva wemadhiri aiva akadanana nevakomana
vakawanda vamwe achivaramba avapedza kuvadya
mari vamwe achivavhara mari dzavo ozongova
blocker

"Helloe, Brenda Banda speaking who is this"?

Ndiwo aiva madavirire ake ephone semunhu aizviita


akadzidza asi akashamisika achinzwa riri voice raMr
Hub mudhara uye webhawa waaidanana naye
mazuva ookubatwa naGidza
📞 " eh Brenda une pamuviri pangu kaa iwe , haa and
ndafara bhebhi chihouya tigarisane mudiwa
ndinonokuroora kunobvisa mombe kumba kwenyu
ndigokuchengetai zvakanaka iwe nomwana wedu
dhali wangu"

Rakadaro dhara riya nyemwerero iri kusvika


kunzeve , asi Brenda zvakamubvundutsa zvose
nemukanga mate mukamwa akashaya kuti ko Mr
Hub vakazvinzwawo nani zvekuti aiva nenhumbu asi
akangobva aziva kuti hapana umwe aiva aita
makuhwa kunze kwaSahwira wake Melliser ndiye
chete waaiva akanyeurira nyaya iyi and ipapo aiva
asina doubt nekuti ainyatsa kuziva kuti raiva basa
rake rekufambisa gossip , Brenda uya akati

📞 mundikwanire mudhara imi ehe nhumbu yenyu


ndinayo asi handisi kuzofa ndakauya kuzogara nemi ,
munoti nezera rangu ndigonzi ndakatizira
kuharahwa yachena mberi neshure semi ndingasanzi
ndava kupenga here , nditori nemunhu ari
kuzondiroora nenhumbu yangu musanditsvage futi
stupid ,

Akataura mashoko ekusvotesa achidaro kwakubva


akata runhare zvake musikana, Chaasina kuziva
ndechekuti call iyi yaiva yato recodwa naMr Hub
vachida kuzoishandisa zvavo kumberi uko kana voda
mwana wavo , nekuti nyaya yese vaiva vaiudzwa
naMeliser anova sahwira waBrenda uyo aiva
nepamuromo pasingamharwe nenhunzi , mumoyo
maMeliser ainzwa kuda kutonyevera Gidza zvaiitika
asi dambudziko rakazoitika aiva asina number
dzaGidza uye Gidza aiva atonyora maExams akabva
pachikoro paye onomirira maresults ari kumba
kwavo

Brenda akadzungudza musoro wake zvemunhu


apererwa zviye akanzwira Melliser hasha,akataura
ega nechemumoyo achiti ," nhasi Meme
wazondibhowa last number ndakakumirira dzoka
dzoka kulecture tipedzerane ", aidaro achisumuka
obva panze paaidziya mushana achipinda mumba
maakasvika
achitora fon yake ofunga kufonera Gidza akakata
isati yapinda nekuti aiziva kuti nyaya yacho yaiva
yakaoma aitoshaya pekutangira chaipo aitya
kurambirwa kunzi nhumbu haisi yangu sezvo aiva
akapiwa mari yekutenga ma morning after pills

Akazongokoka zvivindi akatyper iri massage kuapp


asi akaidzima futi asati asender akazofunga zano
rekuti ambotanga aita zvekuzora mafuta ake aye
aaiva apiwa eku seducer kwabva asender text
massage kuna Gidza achiti

📲darling ndakusuwa chimbouya undionewo


Gidza aiva akarara zvake nemusana akatarisa
mudenga uku achiteerera mumhanzi kubva kuna
Mark Ngwazi, aitoridza hake song iye yekuti
_Nyaradzo yababa_ aisava munhu anowanza
kuteerera masongs esungura asi apa aitonzwa hake
nungo dzekuchinja music
Akanzwa tone yemassage mufon make akaitora
akatarisa kudai akaona aiva Brenda aikumbira
kuonekwa , semunhu aiva asina hake zvekuita
haanawo kunonoka kupindura akabva amunyorera
massage kuti

📲 kana neni I mic u too babes kwira Comby uuye


kumba kwemufes wako I'm waiting for you Mamie

Brenda achiona izvi akaita kusvetuka nemufaro ,


chero zvisizvo hazvo zvaaitarisira aitoda zvekuuya
kuzo pikwa nemota , asi semunhu aiva pamission
akangopinda mubathroom kwabva azviti wawawa
kugeza nhema achibva azora mafuta ake aiva
nemushonga weku seducer achibva arova pasi

Munzira mese aitambura achishaya nzira


yaaizoshandisa uye reason yaachazoudza Gidza kuti
why akarega kumwa mapills

Akanosvika kuwaterfalls akanonoker padoor ,Gidza


akavhura zvake door akanzwa kuyeverwa nechiso
chaBrenda semunhu aiva azora mafuta ake
ekuseducer , in no time vaiva vakutotsvodana zvavo
vachiudzana ma "I miss you babe"
Chakabva chatotsva mudining imomo pasofa vaiva
vanonokerwa saka havana kuzowana mukana
wekuenda kuBhedhuru
Vakati vachipedza zvino kutamba mutambo
wevakuru vose vaiva vofemereka Gidza dikita
richiita kuyerera zvikagoti pakugona kukurunga
chiuno nekuzunza zunza ndizvo zvaiva zvake
Brenda

"But babe ummm wakanyanya xaa unonyatsa


kundisiya ndiri weak kunge vhiki yose" akadaro
Gidza achitunhidzawo umwe wake pabasa raaiva
abata ,

Brenda akatoti hewo mukana wavhurika wekuti


awane matangire enyaya yake akabva asunga
muromo haana kna kumboita zvake zvekuzhinya
zvaaisiita mazuva ose

" come on babe why are you not smiling hee plizz
smile my love"

NdiGidza aidaro ko handiti mushonga waBrenda


ndiwo waiva wava kushanda panyama dzake here

Brenda akatanga apukuta kumeso kwake akagadzira


pahuro akada kutaura akashaya pekutangira kwabva
adzungudza musoro pamwe chete nekutura mafemo
achiratidza kuti ane nyaya yaimunetsa , Gidza
akazviona akabva aswedera pedyo naBrenda
achimutsvoda padama akati
" babe uri kuratidza kuti pane zvri kukunetsa iwe ,
why are you so worried hee tell me darling"

Brenda akatanga kuburitsa misodzi akati

" zvandri kuda kutaura zvacho I know kuti


hauzvibvume babe but trust me please"

Gidza akanga atova confused akati kune mudiwa


wake

" chingotaura kani sweatheart I used to believe in you


and I still believed in you so whatever you are going
to tell me I'm all ears"

Brenda kuchema kwaiva kuri kuprettender kuti


anyatse kupiwa attention and akabva aipiwa yose
naGidza

" my love I'm- I'm I'm


pregnant"

Akadaro Brenda uku achikakamira uku hana ichiita


kubika manhanga , Gidza ipapo hamenoo kuti isimba
raMwari here rakashanda paari nekuti akaita kunge
munhu ava back to normal senses , asisina kuputirwa
nemushonga , akashama muromo wake zviye
zvekushamisika akataura nevoice rizere hasha achiti

"Are you kidding me " ?

Brenda akatoona kuti pano pashata akatanga


kuyeredza misodzi achiti

"I'm serious my love this pregnant belongs to you


ndakaibata day riye ratakara tose without protection
"

"Ko inga wani ndakakupa mari yekutenga mapills


nhai Brenda why are yu so careless"

Akabvunza Gidza achinzwa kupererwa

"Mamorning after ndakatenga but


ndakazokangamwa kumwa Dadie "

Akapindura zvake akapora Brenda akamirira


mhinduro kubva kuna Gidza
Miara aiva apedza zvake kunyora bvunzo ava pamba
kumirira zuva rekuGraduater apa aiva atarisana
nebirthday ravo vese vari 3

" nhai vanangu bhavhade renyu kaa ratatarisana


naro iri apa handimbozive kuti ndokuitirai chiiko
nhai mhamdara dzangu"

Ndimai 3 vaikurukura zvavo nemhandara dzavo


zvavo vakagara mudining vachitandara after dinner

" inini count me out Moms inini ndinenge ndiri out


naBae wangu"

Akadaro Tiara achitenderedza maziso ake , Kiara aiva


azowanawo mukomana waaidanana naye aiva
nekaHonda fit anzi Benny
Zvino nekusada kukundwa akabva atiwo

"Neniwo Mhamha musazvipe henyu pressure dai Bee


akatoti ari kuda kundiendesa KuInyanga chaiko for
my birthday"

Miara akaramba zvake ari zii semunhu aiva asina


kna plan , aitova mushishi yekuunganidza mari
yegown nedress zvaaizopfeka musi weGraduation
yake, akangofunga kuti munhu 1 aiwanza kumuitira
zvinhu pabirthday rake ndiGidza , achibva arangarira
futi kuti vaiva vasingachataudzane akabva angoridza
tsama yakavhundutsa vamwe vake , Tiara akati
" Kkkkk zvarwadza ka nhai sister holy "

Kiara akawedzerera nekuti

"Pamwe pacho chi holyness hachibhadhare wangu


unofa nenhamo"

Miara hasha dzake dzaiva dzava kungomukurira


akasimuka achinonhamukira Kiara , achimumwaya
zvibhakera kumeso Mai vacho vakapinda busy
kubata vakatanga kupopota vachiti

"Iwe Miara chii newe chaizvo ukati hasha dzako


dzauri kuita mazuvano dzri dzega here"

"Vaudzei vana venyu vasiye kundijairira , and


vakaramba vachidaro vachafa nekurohwa neni pano
"

Tiara akatanga kupopota vachibatsirana naKiara


wake , iye Miara akanozvivharira muroom make
otanga kudya machocolates ake aaigara akaviga
muwardrobe
"Ini ndinoshanda ini chii chandinonyengerera
pakugara pano isu tichishaishwa Mufaro naMiara
uyu, ini ndakunotsvaga imba chero kuBudiriro uko
ndotama ndibve pano zvangu ndichiri mupenyu
ndisati ndaurayiwa nemhondi yepano pamba "
akadaro Tiara achirevesa aiva agara akazvironga asi
aishaya kuti otanga nyaya yake sei achiudza mai vake
.....

*Stay tuned*

*end of chapter 36*

*chapter 37 loading*

*Lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
_for comments join this group_

https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB

*THE TRIPLETS*

*Miara*
*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 37/ thirty seven*

*Gidza*
Ndakadzungudza musoro wangu kuri kuedza
kurambirana nemashoko aibuda mumuromo
maBrenda , ndainyatsa kuziva kuti ndaiva ndisati
ndava ready for marriage and ndainyatsa kufeeler
kuti ne age yangu iyi ndigonzi baba haa no mhani ko
Mjolo ndinenge ndousiya nani , iye munhu
onditaurira zvekuti aiva akangamwa hake kumwa
maMorning after akazobata nhumbu

Ndakaramba ndakamutarisa kuface iye akabva


atarisa pasi achibvundisa miromo ,uku
achikwiridzira madziwa ndikabva ndamubata
pachirebvu apa ndichisimudza face yake ndichida
kuti anditarise mumaziso iye kwakubva avhara
maziso ake ndikamuti

"Do you know kuti pangori ne1 month chete tabva


kurara tose saka nhumbu yacho wanga watoiona
papi ipapa"

Ndakamubvunza ndakarova serious iye akatanga


amedza mate kwakuzoti

"I was vomiting and morning sickness ndiyo imwe


yakaita kuti nditenge preg test and it confirmed kuti
I'm pregnant so I have to tell you"

Ndakadzungudza musoro wangu zviye zvekuratidza


kupererwa ndikabva ndazvikandidzira pasofa iye
akasimuka achinanga kubathroom ndikamunzwa
achivhura mvura pashower kuratidza kuti aigeza ,
akasvika pakupedza kugeza akadzoka akagara
pacoach raiva opposite nerandaiva ndakaga akatanga
agadzira pahuro pake achiti

"So tell me what should we do"

Ndikaramba ndakanyarara ndaitonzwa kupererwa


zvose nekushaya zano
Ndikamuti

"Chimboenda Brenda ndimbosara ndichifunga


zvatingaite"

Haana hake kuita nharo akasimudza ka perce kake


akabva abuda asina zvaataura ndikamuti

"Ooh mari yetransport "

Ndakamudaro ndichibudusa ka 10dollars kaiva


muporket reshort randaiva ndakapfeka iye kwabva
atoti

"No thanks " uku achitobuda achinhonga kastep kake


kekuzunza magadziko, ndakasara ndikazvitsunya
thinking kuti maybe I was dreaming , kunodai ndizvo
zvaitovapo

Brenda kubva day iroro aingova zii ini ndaingovawo


zii handina kana kumbotaura naye , and hapanawo
wandaiva ndakaudza nezvenyaya iyi yaitova secret
yangu , ndaitonyara kuti ndoiudza vanhu sei nyaya
yaBrenda iyi nekuti everyone aiziva kuti taiva
takarambana day rangakamubata achishandirwa
naMr Hub

"Haa ndikanzi ndaroora ne age yangu iyi ndinenge


ndaita dzungu risina basa , ndiko kuya kunonzi
nevakuru kusiya ngoma ichirira kwandinenge ndaiva
plus ini Brenda handimude kaa ini, eish ko mweyaiko
waiva wandibata paye pandakarara naye without
protection , ah iye wacho akapusawo nechaanga
achakangamwira kumwa mamorming after acho
chiiko , ah saka ndichaita sei apa manje "

Ndaitaura ndega hangu ndakarara mudining mangu


pasofa ndichimwa hunters dry rangu , kumwa doro
kwaiva kutozama kubvisa mastress enyaya
dzaBrenda idzodzo

Ndakarara kudaro fon yangu yakaringer


ndikavhunduka ndichiona ariye Brenda akangoti
ndichiti helloe kudai akati atanga kunditukirira

📞
📞 wakati uchambofunga ipapa patopera 1 week
uchingofunga chete pasina zvisvinu zvawati wataura
uri kumbonyatsa kufunga chii chaizvo

Ndakanzwa hasha ndikamuti

📞 iwe xaa handisi mwana mudiki kaa ini I know


what I'm doing kana zvakubhowa zvandiri kuita
ibvise ka nhumbu yacho

📞 heede unondishurira here iwe , over my dead


body kuuraya mwana wangu kuti zvidii chitoita plan
yekuti tiroorane shaa

Ndakangokata fon yangu pasina zvandataura ,


ndikachecker calender remufon mangu ndikaona
hezvo zvariri birthday raChoco , ndakango smiler
hangu ndafunga rimwe birthday
randakambomutengera cake ndikamiendesa
kwaMutangadura kunogocha ,

Ndakatora fon yangu ndikatora macar keys angu


ndikadriver ndakananga kutown ndaida kunotuma
Natty nepresent yangu kuna Choco , hongu zvaiva
zvaitika zvaiva zvakaitika but ini ndaiva ndava
kutomunzwira sugar chaiyo asi mukana wekutaura
naye ndiwo wandaishaya chete, plus ndaingoti
ndikafunga cake raakanditengera pabirthday pangu
ndainzwa kuzvinyarira chaiko
Ndakasvika kushop kwaNatty ndikamuwana ari busy
kurongedza rongedza boots achibatsirana
nemusikana aimushandira
Iye paakandiona akafara tikambundirana nemufaro
aiva andisuwa neniwo ndaitonzwa kumusuwa iye
akati

"Haaa kutenga imba kwawakaita kuWaterfalls


kwakavhiringa zvinhu mhani ipapa ndava kushaya
munhu wekudenha kumba uko apa ndava
kungotukwa ndega namai Nelly manje paye uripo
zvaiva nane ka vaipedzera shungu kwauri"

Ndakaseka hangu ndichiziva kuti aitova pama1


naMoms nekuti kutuka vaituka zvavo mai ivavo
chero ukangoita kamhosva kadiki diki unotoi
shaudhirwa ndikamuti

"yah wakamam* tukwa wega , inini these days ndiri


kungoswera pamba ini ndiri kukwata zvee hanty
tamirira zvibodzwa here zvatakakohwa kuUZ "
Ndakamunyepera ndisingade kuti asvike kuyaya
dzine chekuita nemababe ndaitya kuzoerekana
ndavhotomoka nezvenhumbu yaBrenda

Iye akatoseka hake achiti


"Ah manje manje tinenge tava kutukwa takawanda
hanty sisi Nelly is coming to prepare for your
graduation here"
Ndakamuti

"Hoo Nelly ari kuuya haa she didn't tell me maybe she
wants to surprise me , nhasi I birthday rana Choco
nevamwe vake kaa"

Iye akati " yah I know ,ndambomufonera but ati iye


arikirwara saka ndiri kuda kutoti ndikapedza
zvandri kuita zvekurongedza boots idzi ndobva
ndanomuona ndichimuigira cake rake randaka baker
nezuro "

"Oky so ndotokutumawo ka nepresent yangu xaa


please do me a favour "
Haana kuramba zvake ndakabva ndamukumbira futi
kuti andiperekedzewo kunotsvaga present yacho,
tikafamba takananga kuBotique kwaMimie uko
kwataingonzwa neMbiri kuti kunotengesewa hembe
dzakanaka dzr dzequality uye dzichidhura
dzechidzimai

Natty pakusarudza hembe aiva nechoice zvake ,


akabva achooser rimwe dress raiva repink uku rine
maglitters muviri wese kwabva anotora mahills acho
e same color aine magliters futi ,
Zvaidhura zvinhu zvacho zvakandi coster 100 US but
semunhu aiitirawo munhu anodiwa nemoyo wake
handina kumborwadziwa ,

Natty akatenga mawrepping papers akanyatsa


kuzviputira zvakanaka naka kwabva atenga
nekamudhori kacho kepink ndikaseka hangu
ndichitomuti

"Iwe xaa do you know kuti favourite color yaChoco is


blue zvepink zvatiri kuita pano ratova drama ko
akasazvifarira dai tangotenga favourite color yake "

Iye akati " pink bhoo manje hanty cake ndakabaker


reblue here"

Nharo Natty aisakundika so easy saka ndakamusiya


achidriver hake ava kuenda kuMabvuku nemota
yake

Ndakasara ndikafonera PJ ndikamuudza kuti auye


tisangane kwaZindoga timbo refresher

"Ummm mufessy wangu uri kuita kudzikira ko chiri


hona mamuscles kupera kudai ko chii"
NdiP.J aitaura achangobva kusvika paZindoga
ndikamu ignore zvangu ndikabva ndanzvenga nyaya
take ndichiti

"Ndiweka unoda zvimoko zvine mushengenene


sterek svikira ka ako kakamira apo kane mabraids
epink "

"Haa wangu hauone kuti kazonyanya here kuita


kunge kadhoma kupfupika kwacho ndozonyara
kufamba nako zvava kuita kunge baba vari kufamba
nemwana wavo "

" ukwane ko Trish kakapfupika wani"

"Ndakakaramba ini , ko wambofonera Choco here


uchimuimbira Happy birthday"

Akabvunza kudaro ndikati

"Handina ini haasi akatondi blocker here"

P.J akatora fon yake aka dialer number dzaChoco ,


ikaringer pekutanga ikashaya munhu akadavira ,
ikaringer pechi2 ikadeerwa nemunhu ane voice
rakaneta

P.J akatanga kuimba happy birthday to you zvaiva


funny zvekuti ndakatomboseka ndikazongonzwa
ndava kuimbirirawo ndiri paside

Vakataura naP.J ndakangoteerera hangu , PJ


akazondipa fon ndikangotanga nekumuti

"Happy birthday "

Akangoti "thank you "


achibva atokata fon yacho

Takazomwa mabeers edu tikanyatsa kudhakwa


tikabva tadriver umwe neumwe mota yake tichiti PJ
kumberi ini ndichitevera kumashure tikanorara
kumba kwangu kuWaterfalls

Madays egraduation aiva ava padhuze ,


ndakafonerwa naNelly achiti aiva asvika achida
ndizomu piker paAirport ndikafonera P.J tikaenda
tikanomutora tikanomusiya ku Borrowdale
tikambotandara tose as a family tikazooneka hedu
sevakomana tichipinda mumarounds , Tiri muroad
zvikanzi naPJ
"You didn't tell me kuti you have a beautiful sister,"

Ndakaziva hangu paiva nenyaya yake ndikakasira


kumu cutter ndichiti

"Siyana nasisi vangu iwe ,beautiful beautiful kuita


sei "

Takaseka tose tikabva tapinda mutown kunotsvaga


masuits ekuzopfeka paGraduation ,ayo ataingoona
akashata , tikazosvika pakuita eku order from China
zvikanzi naPJ

"Ko Choco hausi kumutengera hre dress dai tango


order nerake "

Ndakaona iri good idea ndikafonera Natty


akandiudza size yaipfekwa naChoco kwabva
ndaorder dress nema hills acho

Zvakabva zvauya and everything was in order taiva


tangomirira zuva regraduation zvikanzi naNatty

"I can't wait kunoona surprise I change iri paface


pamai vana Choco , then reaction yaTiara naKiara"
..
....

*Stay tuned*

*end of chapter 37*

*chapter 38 loading*

*Lily loves you all*


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

📝✍
*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 38/ thirty eight* 🔥🔥

*Miara*

Mazuva akafamba bhavhadhe redu ndiye vhuu ,


ndakamuka mumba matochena mhamha vakapfeka
epron yavo vachimira mira mudining iko kukitchen
kuchiita kunhuwirira aroma yechikafu
Ndikaseka ndikati

" iiii nhai mhamha nhasi bhoo here kwamamukira


kuita mabasa ose epamba zvose nekukitchen uko
ndiri kunzwa kunhuwirira "

Ivo vakati

" haa wakasikidzawo kumuka dzokera unorara tione


nhasi I birthday renyu usaite kana basa regai
ndikuitirei nhasi muri vacheche vamhamha"

Ndakaseka futi ndichitonovabatsira zvangu kubika


mukitchen , Kiara nāTiara vakazomuka
tatopedza kubika tikaitana ma _happy birthday_ paye
tikazodya zvedu tichifara
Mhamha vakazoti
" vanangu happy birthday , Mwari akuropafadzei
nekukuwedzerai amwe makore ekurarama panyika
,matokura zvamadai vanangu 23 years is not a joke,
ini zvandava kungorwara rwara kudai zvichida
pamwe Mwari anogona kunditora batanai vanangu
musaita mazvake mazvake , uye ndinoda kuti
muchitsvaga hama dzenyu , mokangamwa zvose
zvakaitika kudhara "

Tose taiva takateerera asi Tiara ndiye akatanga


kumonya muromo wake akati

"Nhai mhamha hamuone kuti hazviite here imi kuti


Isusu manje tiswere kutsvagana nevanhu vakati
dumper manje haaa kudhara ikoko"

Mhamha vakati
"Ndinotozvinzwisisa kuti makabatikana vanangu asi
ka honai makura vasikana ko pakawana umwe
wenyu anoda kuroorwa ini ndinotambira pfuma
ndakamira saani zvangu"?

"Inga wani sekuru baba Ellah varipo ndivo


vanongomira saBaba zvotopera"
Akadaro Kiara

Mhamha vakati

"Ummmm vanangu nyaya dzakadaro dzinowanza


kuzonetsa kumberi , zvandatotaura ndizvozvo
tsvagai baba venyu mu co-operate navo , kana
hanzvadzi dzavo vamwe vacho vaiva Joni asi pana
Tete mai Rudo vaigara kuEpworth uko ndakaguma
kuziva vatenga imba paTafara apo imo muno
muMabvuku kana muchida ndoku directai
mombonovatarisa "

Takazobvumirana izvozvo asi munhu wese airatidza


kuti ane chigodo pahuro , ndri seni ndaida
kutombovaona baba vangu ndaiva nehobho
mibvunzo yandaida kuvatema näyo , shuwa murume
mukuru ane njere shanu dzakakwana kungofuratira
mhuri here just like that haaa ini zvaindirwadza
hangu

Tiara akanogeza akabuda akapfeka tuhembe


twake twakashama akati
"Mhamha I'm going out for my birthday toonana
ndadzoka"

Mhamha vakati " hoo enda hako asi 6 ikakwana usina


kudzoka ka gedhe rangu handivhure hangu"

Akabva abuda pasina nguva Kiara akabudawo


akachena chena akati

" ndikuenda out mhamha bye bye"

Mhamha vakangoti "time dzekudzoka pano


unodziziva and usanoita zvemadrugs zvauriwe "

Takabva tasara tiri 2 namhamha tichitaura nyaya


zvedu mhamha vakasvika pakuti

"Vamwe vako vaenda out ko iwe asi haunawo


mukomana here nhai mwanangu anokuendesawo
out pabhavhadhe rako kudai"

"Haa zvamhamha vasikana handi......"

Handina kuzopedzisa kutaura fon yangu yava


kuringer ndikaona ari Natty ndiye aiva atova sahwira
wangu
Ndikati 📞 heloe Natty ndyp

📞 Happy birthday to you ,happy birthday to you


happy birthday to you Choco happy birthday to you
uuuuuu

Ndakaseka zvangu uku voice rake ragara


raindikomborera zvaro ndakabva ndamuti

📞Thanks Natty
📞 yu are Welcome sweatheart huya ka timboenda
out for your birthday

Ndaisava mumood zvachose yekuenda out so I have


to lie kuti ndiri kurwara ndakanyatsa kumuti

📞 Ah xaa I wish I could go with you but I'm not


feeling well I have a headache

📞
📞 olk I'm sorry dear , I will come and see you and
drop your presents as well

📞oky iri bhoo


Ndipo pakapererawo conversation yacho ndichibva
ndakata hangu fon yangu ndikaona mhamha vari
pavideo call vachitaura naSekuru baba Ellah ini
ndikanyahwaira zvinyoro nyoro ndichienda kuroom
kwangu ndaiva ndotiza nyaya yekubvunzwa
nezvemukomana naMhamha

Ndakageza ndikangopfeka rimwe zibottom nezi T-


shirt rangu reblue ndikanogara muding pasofa ,
Mhamha vaitogezawo ndaivanzwa vachiimbirira
kasong kavo kekuti _topa mbiri kumusiki_ varimo
mubathroom

Ndakatora fon yangu ndikaenda pafacebook


ndikatanga kuona Tiara azvi poster mapics ari
kulake akanyora kuti

"About today" , rimwe racho akati

Ndikaonawo Kiara azvi postawo akabata full


chicken necake achiratidza kuti ari kumafaro
akanyirawo kuti
"It's my birthday today"

Ndakango liker hangu ndikabva paye ndikatanga


kuseacher Zita rababa vangu ndikaona pachibuda
vana
Francis Ganda vakawanda ndikatanga kutarisa
mafaces aivapo ndikawana yandakafungidzira kuti
ingangova face yavo semunhu wandaiva ndakaguma
kuona kudhara .

Ndakadzika naye munhu uya ndikaona kuti aigara


kuKambuzuma ndikaona akanyora paye pebasa kuti
self employed
Ndikangosenda friendship request kwabva ndasiya
zvakadaro

Mhamha vakapedza kugeza vakauya vasprayer


Bervelly hills yavo ikati yandirova pamoyo
ndikakasira kusimuka ndikabuda panze
ndichifambisa ndikanosvipa mate mugarden

Hapana kuzopera nguva Natty akabva asvika


tikafarirana paye akazobudisa cake mumota
nezvimwe zvaiva zvakaputirwa putirwa ndikavhura
kuona muine dress rakanaka nemahills equality
mhamha vakandibatsira kutenda Natty iye
akazotaura zvakandisvota paakati
"Cake chete ndro randaka baker but zvimwe zvose
ndisahwira wako Gidza atenga , iye aka ari busy
zvake azokundikana kuuya

Ndakamgonyara mhamha vaivapo ndaida kutimuti


adzokere nazvo ini , zvisinei ndakazocheka cake
rangu Natty namhamha vachichinjana kutora
mapictures , PJ akandifonera akandiita happy
birthday akazopa Gidza fon aandiitawo Happy
birthday ndikangoti thanks zviya zvekuti
zvindibvewo ndaisatoda zvekutaura naye ini, uku
perfume ye Beverly hills yamhamha yaingondisvota
asi ndaingoshingirira zvangu

Takazoswera tose naNatty akazooneka kuma5 ,


Tikachisara namhamha vakatanga zvinyaya zvavo
zvekukuza Gidza hanzi navo

"Ummm mwanangu chingotenda Mwari nekukupa


shamwari yakaita saGidza muupenyu hwako mwana
uya chipo chakabva kuna mwari hona zvose
zvaakakutengera zvinodhura kudaro zvekuti chero
ini mai vako handisati ndambokutengera hembe
dzinodhura kudai"

Ndakangosekerera zvangu nechemumoyo ndikati ,


haaa izvi zvima small small pamuchandiona
ndakapfeka gown paUZ ndipo pamuchafenda Moms

6 yakachaya vasikana vasina kana kudzoka , 7


ikachaya pasina adzoka mhamha vakano kiyer gedhe
ravo vakanditi

"Ndava kunorara nemakey epagedhe pangu aya ,


chero ukavanzwa vachi nocker usauye uchindimutsa
ndaneta nekuitiswa bp nevanhu vandakazvara ,
zvauriwe ugovavhurira nespare key ubve watoziya
kuti unomuka usiri pano hako "

Vaionekwa kutsamwa mhamha vakabuda mudining


vachienda mubedroom mavo vakanorara zvavo , ini
ndakambosara ndichiona hangu Twist of fate
kuZeeworld ndikazosimuka ndava kudhonza
makumbo angu ndichinorara , ndakatanga ndadya
machocolates angu kwabva ndapinda muma blankets

Ndakanzwa hooter kugate ndikaziva kuti pane 1 aiva


adzoka , hooter yakarira kusvika yanyarara
ndikazonzwa gedhe rava kunokwa ndikakatarisa
time ndikaona kwava kumapast 10

Hapana kupera nguva ndakanzwa fon yangu


kuringer ndikaona ari Tiara ndikamboisiya yakadaro
kusvika yacutter ndikazodeera yâringer kechi 4

Iye haana kana kundipa mukana wekuti helloe zvako


akatanga nekungondishaudha

" iwe hur* huya undivhurure gedhe uko unoreva kuti


hausi kundinzwa ndichi nocker here iwe"
Ndakamuti " fonera mhamha ndivo vaenda kunorara
nemakey epagate ipapo "

Ndichibva ndato cutter zvangu akaramba achinoka


akambonyarara akazofanga futy apa vaiva vava 2
manje naKiara nekuti vaiva vava kuita noise
vachideedzera , ndakàzonzwa door repa bedroom
pamhamha kuvhurwa ndikabudawo mubedroom
mangu ndichivatevera kugate

Vakasvika vakavhura gate riye Tiara ndiye


akatanga kupinda achidzedzereka akanongedzera
mhamha akati

" Moms ko ndiyo ipi yamunenge muchiita yekuti kiira


panze pegedhe "

Mhamha vakamuti

" ndiyo 6 yako here iyi kurumidza kunyarara zvako ,


ndatokuvhurirai nekuda kwenoice yamuri kuita
vavakidzani vangu vangazogumbuka otherwise
mairara kunze ikoko"

Kiara akapindawo akadhakwa achizama kufamba


mushe akati
" ndazviziva hangu kuti pamba paswerwa nasister
holy nhasi mhamha vanoswera vachiudzwa nhema
nemakuhwa ,oooh ipapa manga mativharira gedhe
pamba pababa vedu muchifurirwa naiyo chembere
yenyu yamunongoita spoon feeding iri pano pamusha
isingade kushanda"

Mhamha vakamuridza mbama yakandivhundutsa ,


ndikabata dama rangu iye Kiara akanodonhera
kwakadaro uko , mhamha vakapinda mumba
vakanobuda nebelt vakabata Tiara uyo aiva ava
kutokotsira akagara pachair yaiva paverandah
vakamukwatura mabelts matatu achiridza mhere
vakanobata Kiara vakamuridza mabelts 4
achiyuwira apa vaingoti chero pavarova

Vakati " tichapedzerana mangwana" kwabva vapinda


mumba ini ndichiteverawo kumashure

Mangwana acho mhamha vakamuka vari mumood


munhu wese aiti mamuka sei vairamba vari zii
ndikasvika pakuvati "nhai mhamha vasikana ko
chiiko mandinyararira ndichikutii mamuka sei "

Vakati "deedza nzenza mbiri dziri mukitchen mangu


umo dziuye kuno"

Ndakanovadeedza vose vaiva vava kutodya breakfast


uye vaiva vatopfeka zvekuda kubuda kuenda
kumabasa

"Ndiudzei kuti nezuro chii chakaita kuti mudzoke


pano na12 dzeusiku muri pfambi dzemuroad here
imi , ndakataura wani kuti 6 dzikakwana musati
madzoka mubve magarako , zvikomba zvenyu zvacho
zvakaregerei kuenda nemi "

Vese vakaramba vari zii Tiara ndiye akazotanga


kukumbira ruregerero Kiara akazopfugamawo
achikumbira ruregerero mhamha vakamuti

"Sewe hako Kiara usiyane netsika yekusvora umwe


wako Miara uyu , ziva kuti Mwari haasi benzi
muchanyara rimwe zuva "

Zvakabva zvaperawo paye , mazuva akafamba


Mazuma eku graduater akasvika , hana yangu yaiita
kurova nemufaro ndichikonewa kana kugarisika ,
problem yakazouya pakuti ndoita plan ipi kuti
munhu wese abvume kubva pamba kuenda kuUZ ......

*Stay tuned*

*end of chapter 38*


*chapter 39 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley* 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 39/ thirty nine*🔥🔥

*Miara*

Paiva patosara ne1 day kuti day rekuno graduater


risvike , zvinhu zvacho zvaidiwa zvaiva zvakawanda
ndaitoita zvinhu zvangu nepressure , paidiwa mari
yegown, yedress neyephoto shoot ndakabva
ndatoenda kushop kwangu ndichida kunotora märi
yacho yandaida kuzoshandisa
Ndikawana Natty ariko akati

" zvauriwe ugotenga Gown nedress "

Ndîkamutarisa zviye zvemunhu ane mubvunzo iye


akati

" Gown rako nedress nemahills zvakatosvika nezuro


kubva kuChina saka don't stress yourself iwe
chongoita plan yekuti family yako inge iripo zvinhu
zvako zvekupfeka ndichauya nazvo kuUZ ikoko
ndakatotsvaga nemusikana achakuita makeup saka
relax , plus 1 more thing tete vako Nelly vakauya
variko kumba uko "

Nelly ndaiva ndisati ndakambouona saka ini naye


taisazivana aingondionawo pamastatus aGidza
mazuva edu atainzwanana ,

" hoo saka Nelly ndozomuona musi wegraduation


kuUZ unomumhoresa hako "
Ndizvo zvandakangopindura uku mumoyo
ndichinzwa kufara kani kuti ndini here ndichange
ndakapfeka hembe dzakatengwa from China ,

Ndakatodzokera kumba ndichitsvaga nhema dzekuno


softer nadzo mai 3 nevana vavo kuti vabvume
kuenda kuUZ nekuti ndikavaudza kuti ndiri kuno
graduater inenge isisiri surprise kaa iyi

"Maswera sei mhamha"

Ndakadaro pandakasvika kumba ndawana mhamha


vari muding vakagarira TV vachiona maIndians

" taswera waswera sei , ko nhasi waswera kupiko ,


ndatojaira kuswera newe pano kaa zvino
ndangoswerera Zee World neStar life iyoyi ndisina
wekutaura naye nyaya "
Ndakati ndauwana mukana wekutaura nyaya yangu

" project yangu iya zvee yandaikuudzai mhamha haa


yakazoita saka apa tava kufinalizer manje "

" hoo wakati ndeyei zviya"

" nde-ndeyekurima mhamha, ummm eeh kuswera


mangwana ndipo pane celebration yacho asi iri
kuitirwa kuUZ zvino ndiri kukumbira kuti munge
muripowo mhamha muchindipururudzira
VaMamoyo"

Ndakavarukira nhema vakati

" haiwa wanonoka wataura mwanangu ndinoenda


newe chero dai wanga wati nhasi chaiye , unoti pane
mubereki asingadewo here kuti mwana wake aite
zvakanaka handiti vamwe vako ava vakatambisa
havo mukana ndaitoshuvirawo kuzonoridza
mhururu paUZ paye vachi graduater"
Ndakangoseka zvangu nechemumoyo ndichiti
zvavakakonewa vana venyu ini ndini ndichazviita ,
and ndichazadzisa shungu dzemoyo wenyu don't wur
Mommy

" Mhamha ndanga ndichikumbirawo futi kuti vana


Kiara naTiara vange varipo "
ndakadaro paye mhamha vakati

" oky avo ndongovaudza vanotoenda chete vakada


kuita zvavo zve jealous ndinotova forcer "

Ndakañyatsa kunzwa kufara ndikaenda kukitchen


kunobikira vanhu chikafu chemanheru, ndakabika
sadza neveef nemavergy , ini ndikaisa karice kangu
kane dovi paside ndicho chaiva chava chikafu
chandaifarira mostly

Vasikana vakazodzoka kumabasa Kiara aiva akasuwa


suwa akaramba sadza
Mhamha vakamuti

" ko iwe warwara here wakango una una"

Iye akadzungudza musoro mhamha vakäti

" wava kuporofita here zvaunodzungudza musoro ini


ndichikubvunza" ?
" handisi kurwara ini mhamha ndiri kukumbirawo
mari yeku booster kutuck shop stuff yasara shoma ,"

Mhamha vakarova chikwee zvavo vakäti

" siyana neni ndakakupa 500 hundred ukavhura


tuckshop iye isingagone kana nekufema yakazara
kuti maku negrocery iwe ukaita zvekudya mari
uchienda kumafaro imwe uchitenga doro nehembe
dzeku slayer ndaikuona zvangu , kana wango broker
unongovhara wodzoka pano pamba pababa vako
ndiwe wakadaro wani day rawanga wakadhakwa
riye "

Haana kuzopindura Tiara akatangawo kukosorera


zviye zvemunhu ane nyaya yake mhamha vakamuti

" usakosora nhema iwe taura nyaya yako tiinzwe


hedu "

Iye akati

" ah handimborina nyaya hömbe ini mhamha ndiri


kukumbirawo mari chero 100 US zvayo pane zviri
kuitika ndozokudzoserai kana ndikatambira "
Mhamha vakati "hezvoo hezvoo 100 husa ndoiwanepi
, asi chero dai ndanga ndiinayo ndichimbokupireiko
munhu ava nemwedzi mishanu achisevenza
unondiudza kuti hauna kumbobvira wakachengeta
mari here haaa zvakaoma"

Vakadzungudza musoro wavo vakazoti

"Eh imi vasikana , ndanga ndotokangamwa , kuswera


mangwana mumwe wenyu uyu Miara ari kuno
celebrater hamenoo project yake iye yaaita saka
zvanaka kuti inenge iri weekend iwe Tiara unenge
uri paOff iwe Kiara unongovhara kituckshop
kwako toenda ka kunomubatsira kucelebrater "

" ini ndenge ndiri busy hangu" akadaro Tiara


akatarisa side

Mhamha vakati

"Undidzikamire matsvuko arwo zvandataura


ndizvozvo zvaunoita kana uchigara pano nekudya
chikafu chinotengwa nemari yangu handide
kupikiswa ndatopedza soo "
Vakadaro moms vakabva vasimuka ini ndikatarisa
face yaTiara ndikaona achida kuchema akarembedza
maromo ndikaita kubvaruka nekuseka ndichisimuka
hangu kuenda kukitchen uko kwandakasvika
ndikatora spoon ndikanombora dovi ndikadya 2
maspoon kwabva ndamwa mvura ndikanodarika
nemudining ndikananga kuroom kwangu
ndikanodya machocolates angu ndikanata kwabva
ndarovera matama pasi

Zuva rakatevera racho ndakamuka makuseni


ndakananga kuUZ kwaidiwa kubhadharwa mari
dzema photo shoot nekungo finalizer uchi clear
mapapers aye anoratidza kuti hauna chikwereti here
nekuprintiser maT-shirts ini yangu ndakanyatsa
kuinyoresa kumusana uku kuti
{(Advocate Mimie 💚)}
Gidza naPJ vaivako, vakauya kundimhoresa ndikaita
kumhanyira PJ ndaiva ndamusuwa asi naGidza
takangomhoresana imwe iya iya , iye ndaitoona kuti
aida zvenyaya neni but ndaitomupa cold shoulder
PJ ndiye akazondiperekedza kumba nemota yake
muroad mose tairova nyaya akanondi droper paden
akati

"Toonana mangwana nines tenge takanyura muma


Gown, regai ndimbomhanya pabarber apo
ndinogadzirwa dzoro rangu iri Mudhara wangu ari
kuuya nhasi kubva kuUK manje cut yangu iyi havade
kana kuiona "
Ndakangoseka zvangu ndikabva ndatopinda
mugedhe ndikawana mhamha vari mubedroom
mavo ndikapinda ndikaonà vari mushishi
yekunan'anidza suit dzavo vachiti vakasimudza iyi
votsveta vosimudza imwe vodzungudza musoro
vokanda uko

Ndikaseka ndipo pavakazocheuka vakati

"Aizve ko watodzoka here, and watogona hako


ukakasira kudzoka chindibatsirawoka kusarudza suit
inoita kuti ndipfeke mangwana "

Ndakavasarudzira yeArmy green ndikati

"Mukapfeka iyi munenge makachena VaMamoyo


mukazorova nemasperck enyu aya haa munenge
makauraya"

"Ukati handibve ndawana here chero Professor


chaiye "

Takaseka tose tikarovana maoko zvedu , naMoms


vangu taitova mabest friends chaiwo ndikabva
ndavati

"Eeh munowana kaa vana Mr Guyo vanenge variko"


Mhamha vakaseka vakati "eeeh eeeh ndirege zvangu
handiti unoreva Zidhara riye raTiara here haa riya
chero kupiwa mahara handide ini "

Vakadaro mhamha tikaseka futi tose , vakatanga


kubudusa perfume yavo voda kuzvi sprayer ini
ndikakasira kubuda mubedroom mavo ndotya
zvangu kunhuwirwa nayo

Vasikana vakazodzoka vachibva kumabasa kwavo


vose vaiva mumood , hamenoo kuti vaiva
vakatsamwei , Tiara akatoramba chikafu mhamha
vakamuti

"Kuramwa sadza here uku hehede ramwa chaizvo


Inga wakabvira kare wani uchiti unoda kutama ubve
pano uri kushaya imba here ndigokubetsera
kutsvaga" .

Akaramba ari zii zvake akatarisa pafon pake


Mhamha vakazoti

"Nhasi rarai makasuka vasikana sezvandakataura


nezuro mangwana Tiri kumukira kuU.Z "

Takazorara takagadzirira kumukira kuUZ , ini hope


dzainetsa kubata ndaingopinduka pinduka
dzakazoitawo zvekundiba ,ndakazoita zvekunokerwa
naMhamha vachiti
" chimukai mugeze asikana ini ndatogeza kudhara
apa ndava kunogadzira macereals kukitchen uko"

Ndakamuka ndikageza ndikapfeka kashort kangu


keblue neverse yangu yenerve blue kwabva ndaisa
masperk kumeso ndikatora kaperce kangu kelemon
green ndimo mandaiva ndakaisa chiTag changu
chemuhuro chakanzi Miara Ganda ,University of
Zimbabwe, mutsoka ndikangoisa mapumbs ,

Tiara naKiara vaiva vakaroverera mucheno Mhamha


vakati

"Nhaiwe ndicho chii chawakapfeka ichocho


kurumidza kubvisa upfeke hembe dzakanaka enda
unopfeka chero dress rako riye rekunaka naka
rawakatengerwa pabhavhadhe rako "

Ndikati

" awewa mhamha don't worry ndiri kunochinja


kumberi "

Takapinda muka Hondafit kamhamha vakadriver


vakananga kuUniversity of Zimbabwe
Takasvika pakaita kuzara vanhu , takangosvika
tikanogarawo pamachair mutend yaiva yakagarawo
vamwe ,
ndakaisirwa massage naNatty achindiudza
kwaaiva ndikaenda ndikanopfeka dress raaiva auya
naro rakanaka zvekuti chero wega waisamirira
kuudzwa kuti rakanaka, ndakabva ndaitwa makeup
ndikazvitarisa paglass ndikagutsirira musoro
ndichinzwa kugutsikana ndega kuti yah ndakafitwa
and ndakanyatsa kuona black beauty yangu
ichinyatsa kubuda zvino ndikadzokera kwaiva
kwakagara vana Mhamha naTiara naKiara vose
vakangovhura maziso zvekushamisika ini ndikati

"What "?

Zvikanzi naMhamha

" ndini hangu ndiri kutozvibvunza kuti Ngirozi iyi


yakabva mudumbu mangu here nhai Mwari ko izvi
zakanaka naka kudai wazviitwa nani manje "

" ndazviitwa nemusikana andatsvagirwa naNatty


mhamha"

" handiti dai watoitisawo neni mai vako "


Ndakaseka paye ndikagarawo pachair yaiva next
kune yamhamha , pasina kupera time vana Gidza
naPJ vakauya vana Natty kuzomhoresa mhamha uku
vakarova masuit avo aiva akafanana apa akava fitter
zvekuti ndakamboramba ndakatarisa Gidza
ndichinzwa kuyeverwa naye Natty akazonditsika
ndipo pandakazobvisa maziso angu paari

" Choco huya kuno ndinokuratidza sisi Nelly vari


kumota uko imagine aramba kudzika hanzi
ndozotsva nezuva ndikasviba "

Akadaro Natty anenge aiva atoona kuti ziso rangu


rairamba kubva pana Gidza,
Ndakangoseka tikadungamidzana takananga kumota
kuye tichisiya vana Gidza vachitaura nyaya
naMhamha

Takanosvika pamota paye , ndikashamisika


ndichiona mune kamurungu kakapfeka maglass
kachibaya baya fon

" eh sisi this Is Choco , Gidza's friend , I mean your


future muroora "

Akataura achiseka Nelly uya haana kana


kumboratidza basa neni akangoti " hie " imwe iya iya

Natty akazviona hake akatonditi " let's go makoti "


tikafamba tichibvapo taisangana neboys dzaida
kutaura taura nesu Natty kaibva kaita manyemwe
kachitemba namukoma vake and aingoti akataura
zita rekuti Gidza vose vaibva vatotobva patiri

Vanhu wakatanga kunzi vagare pasi mota dzana


president dzikapinda , occasion ikatanga , MC
akatanga kutaura

"Honourable our President ,


Parents and pupils , University of Zimbabwe Is
Welcoming you at 2022 Graduation, tichatanga
neprayer from Mr Machingaifa , then our first Speech
from Mr Rafamoyo...."

Zvespeech zvakapera vanhu vakatanga kupfeka


magown avo

Natty akauya akanditora ndikanopfeka rangu


kwabva ndachinja chair yekugara ndisingade kuti
vana mhamha vandione

" Attention vabereki tichatanga kudeedza best


Students of the Year "

Vakatanga kudeedza mazita zvichienderana me


department raistuder vanhu , kuAccounting
department Gidza akadeedzwa Family yake ikafara
naye Nelly akaita kumhanya achimwaya maUSA
akanomhoreswa naPresdent achipfekedzwa kahat
kake , yakazosvika time yedu isu veLaw department

Vanhu vakadeedzwa nealphabet rangu Zita


rikazosvika mai 3 vakaita kuridza mhururu
vachimanya kundimbundira vose nana Tiara
naKiara plus Natty nerimwe side , ndakafamba
ndikanomhoreswa naPresdent nekupfekedzwa kahat
kangu pakudzoka ndaiva ndaisa katag kangu
muhuro

Mhamha vakandibata ruoko vakati

" ndezvekurima here izvi nhai Miara mwanangu ini


kutaura chokwadi ndangopururudza hangu asi
hapana chandiri kuziya "

Ndakaramba ndakanyarara Tiara akati


" may someone explains something to me , Miara uri
kugraduater Law yacho wakaidzidzepi this doesn't
make any sense"

Ndakatorana navo tikaenda kuphotoshoot pasina


chandataura tikazoti tapedza maActivities ose aivapo
kwabva tanodya kucanteen , ndikazoExpainer
everything ndakazopedza kutaura mosodzi yanjenga
mumaziso ndikangozvishingisa kusachema mhamha
vakauya vakandi hugger tightly vakati

" don't cry my jewel wandidadisa mwanangu "


Tiara naKiara vaingoratidza kushamisika Tiara
aingoridza tsamwa achiti

" I don't believe this"

Mhamha vakazonhoresana nevabereki vaGidza ,


vakavatenda chose nekubatsira kwavaiva vaita ,
ndakaona vava kusekedzana naMai vaGidza
vakachitochinjana macontacts

Takazoenda kumba mhamha vachiita kufara ,


tiakasvika vakatuma Tiara kunotenga crete
yemaDrinks vakaita kumuraira kuti awanze fanta
sezvo iriyo yaiva fovourate yangu , full chicken
yakabuswa mufridge ikaiswa muoven tikachitanga
kudya sefamily ini ndakatora fanta yangu yemazuva
ose ndakangoti ndichiisa pamuromo kudai moyo
wangu kwakusimuka ndikatanga kunzwa kuda
kurutsa

Ndakasimuka paye ndiri speed ndikanorutsa


kubathroom mhamha vakateverawo vachimhanya
ndikavanzwa vari panze vachiti

" Miara mwanangu chiiko are you okay" ...


*Stay tuned*

*end of chapter 39*

*chapter 40 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*
*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 40/ fourty* 🔥🔥

*Miara*

_Continuation from chapter 39_


Ndakanyatsa kurutsa zviye zvekusvika pakunzwa
kuti mudumbu masara musina kana chinhu ,
ndakabva flasher mutoilet zvangu ndikageza
muromo wangu ndikabuda ndikawana mhamha
vakaita kumira padoor vachishaya kuti vobata paiko
nekunetseka, vakati

"Zvino kuti waroiwa here mwanangu, hee pamwe


izuva rakupisa raita kuti urutse kudai chii wadyeiko
nhai "

Ini ndaitinetsekawo paiva pasina chandaiva


ndambodya , ndakatotanga kunzwa like fever
ndikatonopinda mumablankets mhamha
vakandivigira tea nemabrufen vakati
"Imwa tea iyi pamwe fever inopera wobva wamwa
matablets aya worara toona kuti mangwana
unomuka cy kana zvikarambirira totonoona Doctor
zvino tingadii"

Vakabuda ndikasara ndikashingirira kumwa tea iya ,


ndikamuka ndikanotora chocolate yangu
muwardrobe ndikatanga kudya mabrufen avo
handina kumbomamwa ndakamaviga mupillow
aitondinhuwira zvangu

Ndakarara hope zvangu ndikazomutswa makusen


nefon yangu yai ringer
Ndikaona ari Natty ndikaridza tsamwa ndichiikata
kwabva ndadzokera kurara akabva afona futi
ndikamboda kuiisa pasilent zvangu kwabva
ndazongo piker call yacho

📞 hes kani makoti wami uummmm kaHelloe kako


aka ndekemunhu achiri muma blankets kaa aka

📞 ehe ndichiri ndakarara ini Natty watiiko


wandimutsa ipapa

📞 haa xaa zviri kunoku ma1 , ini ndava ne2 times


ndichikurota une nhumbu pamwe pacho ndikarota
wakabata Mwana mucheche chaiye, nhasi Dad
vamuka vachitaura futi kuti vakurota une nhumbu ,
Choco hauna here nhumbu yacho

Ndakashaya kwazvaibva nekwazvaienda ini ,


ndakatanga kunyatsa kufunga panadaiva ndakaguma
kuenda kumaperiods maiva muna July kutanga
kwawo but ndakazvishingisa ndikati kuna Natty uya

📞 ummmm ini handina nhumbu xaa pamwe


dzingoriwo hope

📞 ah hoo ndatofunga kuti unayo nekuti Dad vatoti


ummm ini handiwanze kurota nhema kwabva
vabvunza mukoma Gidza kuti nhaiwe mukutamba
menyu umu hauna munhu wawakamitisa here iwe ,
iye akatoti aripo ari kuti ane nhumbu yangu but
handisi kuzvi believer

Hana yangu yakarova ndikanzwa mudumbu angu


kuti gururu zvemunhu uya avhunduka ndikaerekana
ndati

"Hee Natty wati Gidza akamitisa "?

Iye akati "ehe ndizvo zvaataura pamberi paDad


chaipo"

Ndakangokata fon yangu ndava kunzwa kutosvotwa


ndikamuka ndikasiya ndisina kuwaridza bed rangu
ndikabuda ndikanogeza ndikaenda kukitchen ndaiva
nenzara semunhu akarara mudumbu musina chinhu
ndainzwa kuda rice rine dovi ndikawana mhamha
varimo mukitchen vachigadzira cereal vakati

" aaah wamuka cy nhasi ipapa ndanga


ndichitogadzirira iwe cereal iyoyi ndichitoti
ndigokuvigira kuroom kwako zvino zvawatomuka
chiuya udye hako"
Ndakamirira mhamha vabuda ndikanyatsa kutora
gaba redovi ndikanombora 2 maspoon ndichiisa
mucerevita ndikakurunga kurunga ndichiwedzera
zvimvura zvinodziya ndikaikambura ndichinyatsa
kunzwa kunakirwa

Ndakazotorana namhamha ndava kunovaratidza


shop yangu yandaiva ndavaudza nezvayo nezüro
wacho .Mhamha vakaratidza kufara
vakandimbundira nemufaro wavo wese , Natty
aivapo achitora mapics achibatsirana nemusikana
aindishandira

Takazoenda kuBotique kwamhamha tikanowana


zvinhu zvose zviri muorder , tikanodarika
nekuneimwe shop yavo yehembe futi yaiva
pamashops pakamunhu tikawana zvose
zvakarongeka , vashandi vavo vaiziva Basa ravo
Mhamha vakati

"Zvatatosvika pano pamashops chirega tidarike


tichidongorera Kiara kutuckshop uko tichimboonawo
kuti kwaadii"

Takasiya mota pafront peBotique tikafamba netsoka


hedu kuenda kutuckshop kuya kwaisava kurezvako
paingova paseri peShop , takasvika paya tikaita
zvekudingorera tose tikarohwa nehana taona
akagariswa pamakumbo neumwe mukomana
watisina kuziva uku shasha dzichidyisana mabiscuits
mukomana ndiye akatanga kutiona zvikanzi naye
"chimbo saver macutomer babe"

Kiara akasimudza musoro akaratidza kuvhunduka


asanganidzana maziso namhamha , akati

"Dee chimbobuda mhamha vangu vauya"

Akasimuka mukomana wacho ainzi Dee iyeye aiva


akapfeka cap yakaiswa kumashure iro zibhurugwa
rakarembedzwa nezvima slippers mutsoka ,
Ndakangodzungudza musoro wangu ndikatarisa
muShelf ndikarohwa nehana ndichiona ari mashura
mutuckshop maiva mangosara mazep nemaputi
netusugar tushoma shoma nemamints

Mhamha vakati

"Saka nhai Kiara mwanangu wato broker shuwa ne2


months idzodzi here "

Iye akaramba akanyara achingotarisa tarisa mubook


raaiva akabata mhamha vakati

"Nderei book iroro "

Iye akati
"Ndere zvikwereti mhamha"

Mhamha vakatora book riye ini


ndikangodongorerawo ndikaona pakanyorwa mazita
evanhu vakasiyana siyana vamwe aiva
akavakweretesa zvinhu zve10 dollars vamwe zve 20
ndikazoona pazasi pekupedzisira pakanzi
Dee $100

Mhamha vakashama muromo vakati

"Nhai Kiara Dee akanyorwa apa ndeupi uyu akanzi


$100 dollars uyu"

Iye akati "ndiye abva muno uyu mukomana wangu


mhamha Akati ari kundidzosera mari yacho month
end "

Mhamha vakati "ah hapana chakashata mwanangu


asi ini handichina mari yekuti ndirambe
ndichibhadhara rent mutuckshop muno kuti uswere
hako uchitengesa mazep aya, izvozvi rongedza
tusugar itwo ndiri kunouya nemota tonokuvhurira
musika kumba zvetuckshop wafoira"

Akada kumbo tryer kureasoner asi ndakatoona kuti


dzaingovawo nharo zvinhu zvacho hazvina kana
kuzadza boot asi paakatanga business tuckshop yaiva
yakazara kuti tashu negrocery

Muroad mose Kiara aingopukuta misodzi mhamha


vaimuona zvavo nepaview mirror vakati
"usatisemesa nemisodzi unyonyadzisa iwe ipapa
wakapedza zvinhu uchikweretesa zvimwe uchidya
nerwumunhu rwako rwusungagone kukwiridza
bhurugwa"

Ndakada kuseka asi ndakazozvidzoka , tikasvika


kumba Kiara akananga muroom make
kunozvivharira achichema

Ini naMom tikanogara zvedu mudining tichiona TV


Moms vakati

" Miara mwanangu sorry hako ndakaita kunge


ndakakusarudza pakuendesa vamwe vako
kuUniversity iwe uchisara pamba asi handina
kukusarudza mwanangu mari yaisavapo and I'm
proud of you zvose izvi kuita kwaMwari ndiani aiziva
kuti ndichange ndine mwana Gweta pano pamusha "

Vairatidza kufara zvavo asi hapana kupera 5 minutes


Tiara akabva apinda achifambisa akakandira kaperce
kake pasofa raiva risina kugara munhu , haana
munhu waakataura naye chero mhamha chaivo
haana kuvaswedza akadarikira kuenda kuroom
kwake tikanzwa mvura kuti waaa mubathroom
tikaziva kuti ndiye aigeza

Takabika tichibatsirana namhamha ini ndaiva ndaisa


kapoto kangu kerice randaizoda kuzoisa dovi paside
zvesadza ndaisarida

" ko kapoto ako ndekei ko nhai Mimie "

Vakabvunza ndikati "mune rice rangu mhamha


ndoda kuriisa dovi "

Vakâramba vakanditarisa vasingabvise ziso ravo


pandri ini ndikatarisa kuside

Zvikanzi "ukati mufaririre auri kuita rice rine dovi


ari ega here iwe ? Chienda unomutsa vamwe vako
vauye kuzodya "

Ndakanovamutsa vose vakangoti vakaguta


Mhamha vakapakura sadza ravo vakadya ini
ndikanomona rice rangu rine dovi ndikanyatsa
kuridya richipisa raiva rasara racho ndikanyatsa
kuriisa mulunch ndikaenda naro kubedroom kwangu
,
Mangwana acho takamuka munhu wese aripo pamba
yaisava weekend saka tose takatonetseka kuti ko
Tiara sei asina kuenda kubasa mhamha
vakamubvunza iye akati

" ndichaenda mhamha pane zviri kuitika "

Mamba vakamuti
" kana basa rapera chingotaura mwanangu
hazvisungirwe munhu"

Iye akaramba akanyarara zvake akatanga kubaya


baya fon yake , uyuwo Kiara aiva
akangofundumwara asina kana munhu waaitaura
naye

Week yakapera Tiara aiva asingachaende kubasa aiva


azotaura chokwadi kuti basa raiva razopera
hamenoo nyaya dzake dzaaiva aita havana kunyatsa
kuda kudzitaura

Ini ndaiva ndaApplier basa päne imwe Firm


ndakamirira kuzodeedzwa for interview , dzimwe
nguva ndaienda kunoswera zvangu kuShop kwangu
ndichibatsirana nemusikana pamwe nekutora stock
Umwe musi mhamha vakati takatogara zvedu
mudining tichitandara

" ah Miara ndakanganwa kukuudza ka kuti


ndafonerwa namai vaGidza vachida kutenga hembe
kuBotique kwangu ndikatoenda ndikanosangana
navo vakatenga he be dze90 dollars , tikazoenda
kulunch tose haaa mai vaya vakasununguka ufunge
hako "

Ndakangoti "hoo" zvichitondiitira funny kuti mai


vangu namai vaGidza vava kuwirirana apa ini
naGidza wacho hationane

" Ko mhamha makazotii nekunotiratidza kwatete


hanzvadzi yaDad vedu"

Akadaro Kiara , mhamha vasati vapindura zvikanzi


naTiara

" iiii tiaratidzei shuwa nekuti zvimwe zvacho


dzinenge mhepo dzemadzinza chaidzo , mwana 1
chete ndiye anongobudirira vamwe tiri marombe aah
"
Mashoko ake haana kundibata zvakanaka and
ndakabva ndamupindura ipapo ipapo ndikati

" mwana 1 ari kungobudirira kudii hanty imi vamwe


makapiwa mukana mukautambisa here saka yaiva
mhosva yangu manje kuti wakatadza kuita zvawaiva
wafambira ukaita basa rekutandanisana nevarume
vevaridzi "

Ndakanyatsa kumutukirira iye akati

"Toziya sei pamwe wakaromba hako zvee"

Paakadaro akati andidenha ndakasimuka


ndikanomutambidza zigwati riri strong akada
kundidzorera ndikamunzvenga kwabva ndamudonza
mabraids aiva mumusoro akayuwira ndikazomusiya
ndaona mhamha vasimuka vachiuya pataiva
vachifambisa

Vakati "ndiri kunokuratidzai kwatete venyu


mangwana imi mbwa dzevanhu pamwe mademon
ekumusha kwenyu ari kukupengesai kudai"

Mangwana wacho takanoratidzwa namhamha painzi


ndipo pastand patete pacho tikasvika tose tiri 3
mhamha vakara kumota
Takanobvunza umwe mukadzi wechidiki
watakawana aripo achisuka suka pasink ndini
ndakati

"Makadii zvenyu ndipoo here panonzi pamai Stan


pano"
Iye akati "hongu ndipoo , mai varimo mumba umo ini
ndiri muroora wavo ndini mukadzi waStan wacho"

Ndakaona kuti kutaurisa paiva pamusha


tikaukumbira kuti atideedzerewo mai Stan vacho ,
mukabuda uno mukadzi mukobvu akasviba kuti
tsvaa aifamba achiita zvekuti tekeshe tekeshe ane
pameso pakafara

" eh kwazivai vasikana ndingakubatsirai nei


ndanzwa kuti mati munoda kundiona "

Takarondedzera nyaya yedu takamira sezvo taiva


tisina kupiwa pekugara , Tiara ndiye akataura
akapedza ivo vakati

" yuwii yuwii nhai Mwari vakazvitaura madzibaba


Dhayikoro vakati vana vari kutsvaga rudzi rwavo asi
ndakazvishaira hanya , nhai Jehovah ndiregereiwo
titambire vana Mancube sunungukai pano ndini
vatete venyu "
Takamhanya tose tichinowira mumaoko avo
vakazotiti tipinde mumba vakatanga nrkubvunza
kuti iwe ndiwe ani tichivaudza mazita edu tose
vakazoti vatanga zvavo kuropodza kutaura

"Haa makura vana vehanzvadzi yangu


kutikangamwa mazita inyaya yekuti takaguma
kuonana kare, baba venyu vakaroora imwe mvana
ine mwana wayo mukuru akangoita semi kudai zvino
ndakatonzwa kuti hanzvadzi yangu ndiyo
inobhadharira mwana iyeye chikoro kuHunivhesiti ,
asi vanogara kuKambuzuma uko nemukadzi wacho
hationane ini ndakangomusvora pakugara achirwa
nehanzvadzi yangu asi vakazozvara vose vana
matwins vasikana vanenge vakatotanga form 1 gore
rino"

Vakataura zvakawanda tikavatenda paye


tikaonekana navo vakati

" munomhoresa mai venyu baba vanyu ndinosara


ndichivafonera kuti mhandara dzako dzanga dziri
pano" tikadzokera kumota kwataiva tasiya mhamha
tikatowana vabatwa zvavo nehope

Vakazodriver vakadarika vachitenga mince


dzeMunandi pamashops vakasvika kumba vakati

" Miara ndibikirewo mince dzangu dzeMnandi idzi"


Ndikanodziisa pamoto zvakana naka ndikacheka
madomasi neonion yangu kwabva ndazovhura poto
ndichida kutatisa kuti zvava papi ndikanzwa mweya
wemince dziya uchiuya kundirova pamoyo , moyo
wangu uchibva wamira ndikabuda mukitchen
ndichimhanya ndikanorutsa mubath ndikaflasher
ndikabuda ndikawana mhamha vakamira padoor
vakandibata ruoko nesimba ravo rose vakanditarisa
kumeso vakafugura dumbu rangu vakaramba
vakanditarisa vakati

" Miara nhumbu yaunayo ndeyani"?

Hana yangu yakarova ini ndikakwiridzira


mashoulders ndikati

" handina nhumbu ini mhamha" ivo vakandibaya


pähuma vakäti

" handisi mwana mudiki ini line reblack iri rasviba


kuti tsvaa kudai inhumbu iyi , taura munhu
wawakarara naye"

Ndakaramba ndiri zii


Ndikanzwa Tiara naKiara vachiseka vachirovana
maoko Tiara achiti

" heede single and satisfied uya ava nenhumbu"

Kiara akati " seka zvako Kiara ndiani aiziva kuti


Mhamha's favourite achamitiswa "

Ndakangoshama muromo ndichishaya kuti ndoti chii

*Stay tuned*

*end of chapter 40*

*chapter 41 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*
*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 41;fourty one* 🔥🔥


*_NARRATION_*

Brenda zvaakaona Gidza apedza kugraduater


akataura nechemumoyo achiti , apa panotoda kuacter
fast vana Gidza vanhu vemari kaa ava saka apa
ndava kufanirwa kuronga maths dzangu ndione kuti
ndatizira kuna Gidza nguva iripo, aiva atogeza azora
mafuta ake aye ekuseducer aaiva akapiwa namai
Tamuda mother vanoita zvemaNjuzu , achida
kunoona Gidza aiva afunga kunomurova nesurprise
obva angotaura nyaya yake yekuti aiva afunga
kutizira
Hana yake yaiita kurova achitya mhinduro
yaaizopiwa naGidza asi akazozvisimbisa nekuda
kwemafuta aaiva azora

Melliser akapinda mudom achimhanya achiti kuna


Brenda

"Bestie , Bestie"

Brenda naMelisser vaigara vachi share room asi


kubva mazuva aiva aita Melliser makuhwa kuna Mr
Hub vaviri ava vaiva vasingachanyatse kuwirirana ,
Brenda aiva ongoshingirira kugara zvake musame
room naMeliser asi ainzwa kumuvenga kukuru,
aingotaura nechemumoyo achiti , next simester
hamundione pano ndinenge ndava mhai Mhofu
ndichidya rifa ndiri landlordy paWaterfalls apo ,

"Bestie kani kundii ignore here uku nhai Brenda ,


ndidavirewo xaa ndirekukirwe, apa ndine zidot com
randiri kuda kukubatisa ndiri kutoremerwa so"

"Chingotaura nyaya yako Melly unondinonotsa uko


ndoda kunoona Gidza xaa I have to act fast Gidza
anogona kutiza nhumbu iyi ndikapinda ma1"
akadaro Brenda achitonhonga kaperce kake kuti
abude ,

Melliser akati

"Wait , wait wooh saka iwe uchiri ku proceder


nenyaya yako yekuda kupa munhu nhubu isiri yake
zvesure, ummm Bestie nyaraiwo imi"

Brenda akanzwa hasha akati " ndiyo nyaya yacho


yauri kuti .com here , nyaya yenhumbu I thought
takataura nezvayo tikapedza ,this is my pregnancy I
am the 1 who decide kuti ndoipa ani , inga wani
chishona chainongotaura kuti anoziya babà
vemwana ndimai"
"Anyway ndandichida kukuudza hangu kuti Alfred is
back auya ari kukutsvaga, you don't believe
zvandaona iwe mota zibango raari kudriver ummm
apa kusimba ari kunyatsa kuratidza kuti ava nemari
iwee "

Brenda akakanda kaperce pasi zviye zvekupererwa


akanzwa muviri wake wose kudikitira ,
akadzungudza musoro kushaya pekubata, Alfred uyu
aiva mukomana wake waakadanana naye vachiri
kuchikoro Brenda ari form 4 uyu Alfred ari form 6 ,
ndiye futi aiva akabvisa Brenda humhandara , Alfred
akazowana mukana webasa kuSouth Africa akasiya
Brenda ava form 6 , vakasiya vavimbisana kuti
vaisazorambana uye Brenda akavimbisa kuzomirira
umwe wake achiitawo zvemabook, Alfred zvaaiva
kuJoni semunhu aidawo umwe wake haana
kumbobvira aita vamwe vasikana aingovimba kuti
mudiwa wake Brenda akamumirira sekuvimbisa
kwaaiva akaita , izvo aisaziva kuti mwanasikana
akasara akaita muchero wemusango.Alfred
akanogara 3 years achishanda nesimba
vakambotanga vachitaura pafon naBrenda asi
Brenda semunhu aiva ongoita zvevamwe vakomana
vakawanda uye nekudya mari yema Blesser akabva
ablocker Alfred kwese asingachade zvekuswera
achinyaudzwa nemunhu ari kure ,Melliser naBrenda
vakakura vose kuKambuzuma saka nyaya yaAlfred
Melliser aiiziva,

Alfred paakazodzoka kuSouth akasvika akatenga


imba yake full house kuKuwadzana nezimota rake
rerudzi rweFortuner , akabva afunga kunotsvaga
musikana aidiwa nemoyo wake , ko agozivei kuti
Brenda akasara achitamba chipisa akasvika pakuita
nhumbu zvake

"Hee Melissa watii? , wati waona Alfred nemaziso


ako 2 aya here"

Akadaro Brenda achitadza kuzvibvuma

Melliser uya akati "chero neni I still don't believe


what I have seen with my 2 eyes , ndamuona Alfred
akamira pamota yake ndichitobva kunotenga dragon
randakabata iri kunze kwegate kuusika uko, akatoti
ndiuye kukudeedza iwe and ndiwe waatovinga pano
zvekuti uri kutononoka"

Brenda akapererwa akambod kuramba kuenda


kunoona Alfred wacho asi akazofunga nyaya yemota
yaaiva anzwa zvee iyi , agara Brenda aiva munhu
aingoda zvinhu, vakandurudzana naSahwira wake
vonanga kwaiva naAlfred uya , Brenda aiva
akangamwa mhiko yaaiva audzwa namai Tamuda
kuti mafuta aya aisafanira kumazora kana achinoona
umwe munhu asiri Gidza zvino ndipo paakairasa
ipapo akatyarika mhiko yemafuta nekuti akatonoona
Alfred akazora mafuta aaida kuno seducer nawo
Gidza , mushonga wakatanga kushanda kuna Alfred,
Vakaendeswa kuchicken inn vose naMelliser uyo aiva
ava chinamira achidawo kudya mari,
and mukomana akafara akatenda babe kuti "thanks
mudiwa wakasara wakazvichengetedza , ini ndava
kuda kukuroora wozopedzisa chikoro tava kugara
tose"
Brenda akashaiwa kuti odii akatarisa kuna Melliser
akaona haiwa shasha yaizviuraya nenyama yehuku
uku ichimwira kajuice akabva ati kuna Alfred
"haa zvekuroorana tozoronga dear" mumusoro make
maiva mazara neconfusion , aiziva kuti akabvuma
kuroorwa naAlfred nhumbu yaizoonekwa zvobva
zvarambirana nemadates avakaroorana saka aida
kungodya mari yaAlfred ozonotizira zvake kuna
Gidza

Tiara basa raiva rapera mushure mekunge nyaya


dzake dzekusagona kuvhara makumbo
dzazowaridzwa pachena pamberi paGeneral
Manager, akambotanga kudanana nasupervisor
kwakubva pabasa paye pazouyawo umwe
mukomana aiva akanaka zvekuti ainzi Tobias, Tiara
akaita weku actira kuti adiwe and akangoti
achinyengwa nemukomana iyeye haaana
kumbofunga ruviri akabvuma ipapo ipapo , zvino
superviser vakazviona and havana kufara nazvo kuti
vaiva vatorerwa chimoko nemupfanha wechidiki
vakaedzawo kunyengerera babie zvino Tiara
nemukanwa make makaumburukwa nechidembo
akavatukirira achiti "imi sekuru imi chemberai
zvakanaka ndisiyei ndidanane nevezera rangu"
Superviser hazvina kuvabatawo mushe vakabva
vashandisasawo Simba ravo vakaita kuti Toby uya
adzingwe basa asi Tiara akazviziva kuti aiva mabasa
a Supervisor wake waaiva aramba mushure mekunge
amudya mari , Tiara haaana kumira akabva atanga
kuchinjaniswa nevakomana vose vepabasa achiona
sekuti ari kukaurisa Supervisor , asi zvakazoenda
nepamwe abatwa achitsvodana neumwe
wevakomana vepabasa , vanhu vakachitanga kutaura
nyaya dzake pamberi paGeneral manager musikana
chitupa chikabva chatoenda pawindow basa
rakamuperera akavarairwa , akanzwa misodzi
kuvavira mumaziso orangarira kuti pese
paakashanda haana kumbobvira achengeta kana
kobiri zvaro mari yose aiipedzera kutenga hembe
dzake imwe achidya

Kiara aiva avhurirwa tuckshop zvino akabva


atanga kudanana naDee wake aiva driver aifamba
nekamwe kaHonda fit achiita mushika shika zvino
Kiara akanyeperwa kunzi mota iyi ndeyangu akati
aiwana mbinga , akabva atanga kukweretesa vanhu
magrocery vamwe vachimuvhara mari uye Dee
aingoti paanzwira nzara ouya opiwa mabhisvo
nedrink zvaaisabhadhara , mota yemushika shika
yakazofa uyu Dee uya aiva asina kana cent
kwakunonyepera Kiara kuti " babe ndisotewoka ka
ka100 mota yangu yaita problem ndozokupa iri 200"
wakava muromo mumwe Kiara akabva amupa mari
iye , kuzoti Dee chindipawo mari iya ndiwedzere stuff
mutuckshop mukomana aiva ongitsika tsika izvo aiva
asitorina mari yacho , ndiko kubroker kwakaita wedu
Kiara

Zvakabva vana Miara pamba pavatete vavo , Mai


Stan vakasara votora fon yavo kufonera hanzvadzi
yavo baba vana Miara zvino vakaitaunyama kuti
baba 3 vaigeza ikadavirwa nemukadzi wacho

Mai Stan vakanzwa kusvotwa nemadavirire akaita


muroora wavo hanzi
📞
" imi vatete munofonera murume wangu muchiita
basa rekundirangana nhasi uno handinawo mufaro
pano pamusha ndinogara ndichishushikana nekuda
kwemashoko amunofurira murume wangu iyemi ,
nyarai mhani mava munhu mukuru"

Akavashura achibva atokata fon yemurume wake


akaidzorera payaiva , Mai Stan havana kuneta
vakadeedza muroora wavo kuti aite zvekunyora iri
massage sezvo ivo kunyora kwaivanetsa asi
vaizongonyepera vanhu kuti maziso avo ndiwo
aivatambudza vakati
"Ooh mai Yolanda muroora ndinyorerewo massage
kunumber dzakanzi baba 3 uchiti "
📲 _nhai Mwana wamai vangu tocheka here ukama
nekuda kwemukadzi wawakaroora une shuwa here
kuti unoti ndichikufonera iwe wopa rukadzi rwako
fon kuti rwundituke"

Yakasendwa yakadaro massage panguva iyoyo baba 3


vaiva vatopedza kugeza vakagara zvavo mudining
nematwins avo Shanel naShanon vachiita nyaya , ava
mudzimai wavo mai Brenda vaibika bika mukitchen
Pavakaona massage vakabva vafona kufoni
yehanzvadzi yavo vakatsanangurirwa zvose zvekuti
vana vakauyawo vachitsvaga dzinza ravo , Baba 3
vakanzwa kufara nekuti zvaingovadya mumoyo kuti
vana vavo vachazosangana navo kana zvadii ,
Pakutanga vaishandisirwa mushonga namai
vaBrenda kusvikira vazonoritsiswawo kunevamwe
madzibaba kwavakaudzwa neshamwari yavo , zvino
it was too late murume mukuru aishaya pekutangira
kunokumbira ruregerero kuvana zvose nekuna mai 3
,

"Horayt hanzvadzi yangu and ndafara ndisvikako


neSunday iwe wovafonera vouya zvavo tosangana "

Mai Stan vakati "ndizvo zvaunongona kaa kutaura


hapana zvimwe kusara kwekutongwa nemukadzi ,
une Shavi renhamo iwe kutidadira mhandara
dzadaro handiti manje manje vanoroorwa totodya
zvedu mombe "

Miara aiva ava kushaker zvino achishaya mhinduro


svinu yaaifanira kupa mai vake avo vaiva vabvunza
kuti
"Inhumbu yaani yaunayo"
Akaramba akatsika nerake rekuti handina nhumbu
ini mhamha
Mai vacho vakatora $1 muwallet yavo vakambidza
Kiara vakati
"Ooh iwe mhanya unotenga kapreg test paphamarcy
iri pacorner apo "

Kiara akaenda ari bara achinzwa kufara kuti Miara


azviwana nhasi

"Mune mapregnant test here"

Akadaro achiita kunyemwerera , kwabva


atengeserwa pregnant test yake akadzokera kumba
achimhanya

"Ita wet tione oooh kagaba aka ita izvozvi pano


ndakatarisa ukanoitira mubathroom umu unonodira
mvura "

Vakadaro mai 3 ,Miara aitonzwa wet asi akakama


achiti "mha-mha mhamha handisi kunzwa wet ini "

Akakwapurwa mbama kumeso akamhanya


kutambira kagaba kaye akaita wet iye mai vake
vakanyika papregtest kaye vakakatsveta patable
vamirira 5 minutes dzakanyorwa , Miara hana yaiva
isina kugadzikana uku achingonamata
nechemumoyo kuti dai maresults akangobuda achiti
haana nhumbu

"Ooh My God "


Akadaro Tiara ndiye aiva akabata fon achitarisa kuti
maminutes akwana hre saka ndiye akatanga kutarisa
akanyatsa kuona 2 lines dzered akaziva kuti Miara
aiva nenhumbu
Mai 3 vakazotarisawo maresults vakabata musoro
wavo wachigara pasofa zviye zvekupererwa vakati

"Nhai Mwari ndichazofarawo riiniko ini"

Miara aiva ongotuzura maziso ake uku achishaya


chaipo pekubata uku ainzwa makumbo ake kupera
simba

"Ndeyani nhumbu yaunayo Miara "

Vakabvunza mai 3 Miara akashaya pekutangira


kutaura nyaya yacho obvious aiziva kuti chero
akavaudza kuti ndakarara naGidza by mistake vose
hapana pavaimbozvibvuma

"Haunzwe here zviri kubvunzwa naMhamha nhaiwe


taura muridzi wenhumbu tikuendese tatonetawo
neviolence yako pano pamba"

Akadaro Tiara achiratidza kufara , Miara akaramba


akasona muromo wake Mai vake vakamuti

"Ndotora bhande here kuti utaure munhu awakarara


naye"
"Ah kuda vakawandisa maybe haachaziye chaiye
chaiye muridzi wemwana" said by Kiara

Mai 3 vakatora fon yavo vakaudzawo hanzvadzi yavo


mashura avaiva vasangana nawo
Baba Ellah vakati

"Ah Miara chaiye wangu muzukuru here kana


makanganisa Zita"

"Ahanzvadzi ndingakanisa mazita evana vangu


vandakazvara hre zvandiri kutaura ndizvozvo ane
nhumbu Miara apa ari kuramba kutaura muridzi
imagine sekuru"

"Aewa mai 3 mwana wamai taura kaa nemwana


zvakanaka pamwe aka rapewa "

Vakadaro Baba Ellah mai 3 vakati " nxoo munopenga


sekuru zera raMiara uyu nderekunzi arepwa here
uyu"

Vakakata fon yavo vakadzokera kuna Miara


vakamuti
"Kasira kutaura muridzi wenhumbu iyi , or
ndokudzinga hangu pamba pangu wonoperekedzwa
kumba kwemunhu wako iyeye navatete vako
vawabva kunoona nhasi "

Miara akatya kudzingwa pamba uku misodzi


ichiyerera akati

"Sorii henyu mhamha but nhumbu ndeya Gidza


ndiye ega andakarara naye "

"What"?

VanaTiara naKiara vakautirana kudaro . Asi mai 3


vakati

"Iwe usada kutamba nepfungwa dzangu


uchindinyepera pano Gidza Gidza kudii , taura
muridzi wenhumbu chaiye"

Mai 3 vaitotadza kuzvibvuma nekuti neushamwari


hwaiva nevaviri ava hapana aimbofungira kuti
zvichasvika ikoko , saka mai 3 vaitofunga kuti Miara
ari kuda kuhwanda naGidza
achimunyepera...................
*Stay tuned*

*end of chapter 41*

*chapter 42 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 42;fourty two* 🔥🔥

*Miara*

"Mhamha kutaura chokwadi ndiye Gidza chete


wandakarara naye and it was a mistake "

Mhamha vakaramba vakanditarisa zviye


zvekupererwa vakati

"Mistake mistake yei uchiita basa rekuvhura


makumbo, hoooky ndabata pane nyaya saka nguva
yese iyi mainyepera kuita seushamwari imi
muchitodanana zvenyu "

Tiara akarova chikwee akati "haada ndakazvitaura


mhani ndikati the is more to this Gidza guy
kakuwirirana kenhema kaya handina kumbibvira
ndakachenesa ini "

Ndaiva ndongochema zvino nekuti vanhu vacho


vaiva voendesa nyaya kusiriko, ndakakwiridzira
madzihwa ndikati

"Inga ndati zvakaitika nemistake wani mhamha , ini


naGidza hatidanane"I tried to explain paya ,
ndikapotswa nembama naMhamha vachiti

"Shutup wakamboona mistake yekurara mose kupi


kuti wakarepwa here , kana akaku forcer wakadii
kuuya kutaura or kuenda kupolice"

Kiara akadzungudza musoro akati

"Musavharwe kani mhamha imi vanhu vakabvirira


kare kurara vose mhani ava, kuzoona panobata
nhumbu panenge pabvira kare zvee imi"

Mhamha vakati
"And wandinyadzisa Miara vamwe vako vanomboita
havo misikanzwa asi zvako izvi zvazondigura
kunorira mwanangu ndotarisana sei naVasahwira
vangu mai vake Gidza heee "

Ndakaramba ndakasona muromo wangu vakati


" saka mufonere Gidza wacho umuudze kuti nyemba
dzedu dziye dzazvimbira ndotoda kunzwa mhinduro
yake now"

Ndakangodhonza makumbo ndichienda kuroom


kwangu ndikasvika ndichivhomora fon yangu
pacharger ndikatanga nekusenda text massage kuna
Natty ndichiti

📲 Natty ndiri pama1 ndine nhumbu apa mhamha


vazvibata vari kuita kudya marasha

yakabva yati delivered ipapo ipapo ndikafambisa


ndichidzokera kudining ndakabata fon yangu
mumaoko , ndakatanga kudialer number dzaGidza
dzebuddie dzikaramba kuratidza kuti yaiva
yakadzima , ndika tryer dzenetone dzikaramba futi ,
kwabva ndatryer dzetelecel ndidzo dzakazopinda
ndikatanga kunzwa mudumbu mangu kurira
ndaishaya kuti chero akadavira ndaizotanga nekuti
chii , yakaringer ikacutter yega pasina adavira , ndika
tryer futi ikaringer pakashaya akadavira , ndakafona
5 times isingadavirwi ndikatarisa mhamha
vakabva vati
" nguva dzafamba ini ndava kunorara , toiona
mangwana nyaya yako iyi"

Vakadaro mhamha vachitosimuka kunorara hapana


akazobika chero mince dzavo dzeMnandi
vakadziramwa, ini ndainzwa kuda dovi asi moyo
wangu waiva watosviba kunzwa kushaya appetite
nekuda kwezvaiva zvabva kuitika,

Ndakanorara usiku hwese ndichipinduka


ndichishaya hope, ndichironga nekurongonora
mubvunzo wandaizvibvunza waiva wekuti ko Gidza
wacho akaramba nhumbu ndaizoita sei , it was
obvious kuti mom vaizondidzinga pamba pavo ,
ndakazongorara ndichizvisimbisa kuti kana
akangoiramba nhumbu yacho ndaizotsvaga imba
yeku renter ndichizvibhadharira rent nemari
yekushop kwangu ,then kana ndazobatsirwa
ndotsvaga basa rangu chairo randakaendera
kuchikoro , hope dzakazongoitawo zvekundiba
hamenoo kumanguvai

Zvamunoona kana une nyaya dzako dzinenge


dzakakumirira kunokasika kuedza , usiku
hwakandiitira 2 minutes chaidzo kunodai atova
mangwana
Ndakangobata fon yangu ndikawana pane massage
yaNatty
📲 wow congrats now wava kuzoita original makoti
wangu manje, saka hanzii naMoms sorry nezuro
handina kuzoona msg I was asleep

Ndizvo zvaiva zvakanyorwa pamassage iya ini


ndikashaya mhinduro svinu yandingamupe
ndikatsveta fon pasi ndikabuda ndikanogeza mazino
nekugeza kuface mhamha ndaivanzwa vachiimbirira
vari panze kuratidza kuti vanenge vaiva mugarden
mavo
Ndakazeza kunovati mamuka sei ndikadhonza
nzondora dzangu ndichidzokera kubedroom kwangu
uko kwandakasvika ndikawana runhare rwangu
rwuchi ringer ndikavhunduka ndaona ari Gidza

Ndakangodavira iye akati

📞Hes Choco

📞ndiri bhoo
Ndizvo zvandakangoita , pakamboita a moment of
silence kuda aiva akamirira kuti nditaure
zvandaifonera manheru but I found it hard kuti
ndimuudze
📞 ndaona mamissed calls wauchidei , 4n yaiva
kudining pacharger and ndanga ndarara

Akatozobvunza anzwa runyararo rwacho rwanyanya

📞ndaida kukuudza kuti ndine nhumbu


Ndakataura ndisina kana confidence , uku ndakabata
pachest ndichityira moyo wangu kuti
waizorwadziswa kana Gidza akandipindura rough
kana kuti akaramba nhumbu yangu asi mhinduro
yake yakandipedza mafuta paakati

📞ah makorokoto
Ndikáshaya kuti ndoenderera mberi ndichiti chii
ndikambofunga kukata ndikazokoka zvivindi ndikati

📞 inhumbu yako Gidza ndiwe munhu chete


wandakarara naye

Iye akati
📞asi ndaramba here ini
Ndakatoona kuti mhinduro dzake dzaiva dzekuda
kundipusisa ndikati

📞 mhamha vakazviona saka ko ndikadzingwa


pamba ndichaita sei

Iye akanyatsa kunditi

📞 "Asi kwawakaiwana nhumbu yacho haukuzive


here or hauna mari yetransport nditumire driver
auye kuzokutora

Mataurire ake akandisvota ndikaerekana ndaridza


tsamwa iye akati

📞 chii
Ndikati 📞ndiri kuuya natete vangu ugare waudza
vabereki vako nekuti tichananga kuborrowdale

Hamenoo kwaiva kuda kundi fixer here kana kuti


nekuti akabva ati
📞 ko munenge muchinanga kuborrowdale ndiko
kumba kwangu here , munongonanga kuno zvee,
plus muite zvinhu zvenyu nekukurumidza nekuti
panotori neumwe ari paPending yekuda kutizira
aningoriwo nenhumbu sewe saka uchenjere
kutangirwa zvika....

Handina kumusiya achipedzisa kutaura zvake


zvekurwara ndakabva ndabuda muroom mangu
ndichienda kuseri kwaiva naMhamha vachidiridza
garden ravo ndikadarika nemuding Kiara akatanga
kungoseka akanditarisa ndainzwa kuda kumudira
zimbama asi ndakangozvidzora hangu

" mamuka sei mhamha "

Vakaramba vari zii vakazoti

" wamufonera here munhu wako "

" ehe ati ndiuye"


Ndizvo zvandakataura mhamha vakaunyanidza
huma yavo zvehasha chaizvo vakati

" unonyadzisa , utofonera vatete vako uchivaudza


kana zvichibvira uswere wabva pamba pangu"

Ndainyatsa kuona kuti vainyepera kushinga asi


vairwadziwa mai vangu ndikanzwa kuzvishora
nekuzvituka

Ndakapinda mumba ndikanofonera tete


ndikavatsanangurira nyaya yangu asi zvekuti
takarara tose nemistake handina kuvaudza ndakatya
kuti vaizondituka ndakangovaudza zvekuti taiva
mafriends asi takazotamba zvisizvo tikarara tose , ivo
vakandinzwisisa vakati

" ndiko kutokura mainini , zvamati mai vàpopota imi


chiuyai kuno toswera ndichikurairai then manheru
tozoenda tozoenda handiti mati vabereki vacho
vanogara Borodhero here "

Ndikati " ehe tete"

Ndikabva ndageza ndikarongedza hembe dzangu


muMonarch rangu ndichichema ,ndakatora blanket
rangu newone randaiva ndangotenga ndikatsveta
ndichiti ndichangozorifugawo nekufamba kwenguva
,laptop yangu ndakarongedza futi apa ndainzwa
kurwadziwa nekusiya room yangu , zvose nekubva
pamba pamai vangu , ndaiva neshuviro yekuzobva
pamba pamai vangu nemuchato ndaitawo
zvekukumbirwa asi zvakazoenda nepadivi ndaiva
ndakonewa kuzadzisa shuviro yamai vangu

Ndakageza hangu ndikapfeka trouse rangu netshirt


yewhite , ndikakama weave yangu ndaiva ndichiri
nesame hair style yandaiva nayo pagraduation
Ndakakweva monarch rangu ndichibuda ndika
locker door rangu ndikawana mhamha vatochinja
vakagara mudining vachimwa tea ndikava tambidza
makey emubedroom mangu misodzi ichiyerera
vakanditarisa vakadzungudza musoro vachiti

" unochemei handïti pawaiita zvevakuru wainzwa


kuti wakura here iwe , chiita ka zvinoratidza kuti
watova mai handiti wakatosenga kamunhu
mudumbu umo "

Ndakaramba ndakanyarara ndikatarisa Kiara uyo


aingobwibwinyika kuseka ndikanzwa shungu
dzichindikurira ndikati "bye bye mhamha ndava
kuenda kwatete , ndavafonera vati ndiuye
vanozondiperekedza manheru , Tiara na Kiara
tozoonana"

Ndakataura kudaro neheartbroken voice ndainzwa


senge nyika iri kutenderera ,Tiara ndiye akadavira
zviye zvekusvotesa achiti
"Endai mumbonotanga imba vasikana tinoonana, isu
tiripano zvedu pamba pamai 3"

Kiara akaita kubvaruka nekuseka ndikamutarisa


neziso ndipo paakazovhara romo rake ndikamuti
"Kiara mwana wamai vangu chawana hama
hachisekwe"

Iye akati "ah iwe ndisiye zviri kungondiitira funny so


kuti munhu waAdvocate kumitiswa shuwa"

Mhamha handina kunzwa zvavakataura vaiva zii


uku vari busy kumwa tea yavo zvavo ndikasimudza
blanket rangu ndikabata handle yeMonarch rangu
ndichida kubuda mhamha vakati

" enda unoisa zvinhu izvozvo mubooty umo , udzoke


udye where do you think you can go usina kudya "

Ndainzwa moyo wangu kusviba and chikafu


ndaisachida zvachose ási ndakangonyara kuramba ,
ndakabva ndangonoisa zvinhu zviye mubooty
kwabva ndadzoka ndikamwa tea yacho
zvekushingirira

Takabva tabuda namhamha vakandiperekedza


muroad mess hapana aitaura neumwe ini ndava
nestress yemberi kwandaizoenda ndaiva 100% sure
kuti mai vaGidza havandifarire saka hana yangu
yaiva isisina kugadzikana zvachose, takanosvika tete
vakagara paVeranda pavo nemuroora wavo mukadzi
waStan vachirova nyaya

Mhamha ndivo vakatanga kudzika ini ndikazodzika


ndikafamba ndikanomhoresa tete nemuroora wavo ,
mhamha natete vakatanga kukurukura nyaya
dzingoriwo Genaral sevanhu vakuru mhamha
vakazoti

" ini handichagare ini vatete regai ndimhanye


kumba ndinga ndaperekedza mwana wabhudhi
venyu wakapiwa pamuviri neumwe mwana
waaingoti bestie bestie zvakaoma apa vaidzidza vose
mazera mamwe hamenoo kungonozamawo
handifunge kuti pane imba inomira ini "

Vakatanga kutaura natete paya vachingodembedzana


nekusimbisana kungoti ndizvo zvinoita vana
mhamha vakabva vaenda ,tete vakasara vakati dzaa
neni kundiraira zvimwe zvacho zvainyadzisira
zvavaitaura apa mukadzi waStan aingovapo
achingoseka zvake

"Varume vamazuvano vava kuhur* mwana


wehanzvadzi zvino kana uchida kuti imba yako
isaputsika iwe wongozvigarira mumba mako zvekuti
azoita magerofurenzi mangani kunze uko iwe
hazvinei newe"

Ndakangogutsurira musoro hangu asi nechemumoyo


ndichirambirana nezvavaitaura vatete vangu ivo
vakaenderera mberi vachiti
"Munhu haasi wekungoti akanzi chakati kana kuti
mukangokonana wotomhanya kufonera mai kana
kutiza pamba uchidzoka kwamai vako umm umm
sandizvo munhu kadzi ndewekutoshinga mwana
wehanzvadzi , and pamuromo ngapaite pashoma
baba havapindurwe , vamwene vako navatezvara
varemekedze sevabereki vako ...."

Vakataura zvakawanda kani ndakatoona kuti chikoro


chaiva chishoma zvacho asi vatete vangu vaifanirwa
kuita marriage Advisor chaiye

Takaswera tichikurukura uyu Natty aingondipa feed


back yezvaiitika kumba kwavo akatondiisira massage
kuti

📲 mukoma Gidza vatouya vakaudza Dad naMoms


zviripo but moms vari kudya magaka mabishi
neminzwa yavo , sandi kupopota ikoko , but Dad
vazvitambira , tatokumirira muroora ini naPJ tisu
tichauya kukutambirai kugate tete mai Cathy
vatofonerwa munosvika vatova pano

Ndakangotura mafemo uyu Stan akazosvika nemota


yake achibva kubasa and ndakatozonzwa kuti ndiye
aizotiperekedza nemota yake , ndakageza
ndikapfekawo dress rangu rakatsiga zvemunhu
aiendawo kunotizira

Kuma 5 ndipo patakasimuka tananga kuborrowdale


ini ndaingopa Stan madirections zvikanzi natete

" ummm dzimba dziri kuno dzakanaka veduwe


zvinoonekwa neusiku kudai kuzoti masikati "

Takazosvika pagedhe pana Gidza Stan akaridza


hooter pamota yake , ini ndikapiwa doek neZambia
natete zvikanzi

" zvinhu izvi hauzvibvise kana vätezvara navamwene


varipo uye usapfeka hembe dzinosiya zvidya
nemapendekete panze , handidi kuzonzi handina
kukuraira"

Vachingopedza kutaura gedhe rakabva ravhurika


tikabva tadzika mumota Stan akato tuner
achidzokera achitisiya tichipindawo mugedhe Natty
naPJ ndivo vaiva vauya kutitambira saka ndivo vaiva
vatakura mabag edu tikasvika mumba tikanogara
pasi ini handina kana kumbosimudza musoro
zvachose ndainzwa kuremerwa , Tete vangu
vakatanga nekukwazisa vanhu vachibva paparura
nyaya yavo ndikanzwa voice reumwe mukadzi akati
" heyo zvee nyaya Mhofu yemukono hanzi
makaremedza mwana wevaridzi , saka ini mibvunzo
wangu ndewekuti munomuziva hre musikana agere
apo uyo"

Hana yangu yakatanga kurova zvekuti cheto tete


vaiva padhuze neni vanenge vaizvinzwa chete,
ndaitya kurambirwa pamberi pevanhu vose

"Hongu tete ndinomuziva"


Paakadaro tete vangu , Natty naivavo mai vakaridza
mhururu PJ naBaba vaGidza vakaombera maoko

Asi mai vaGidza vakaridza tsamwa yakavharisa


mumba mese, ini nechemumoyo ndikati
ndezvekwavo izvo chero muridzi wenhumbu
aibvuma , zvinotevera tozoona ......

*Stay tuned*

*end of chapter 42*

*chapter 43 loading*

❤🥰
*Lily loves you all* ❤🥰
[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley* 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐

*0789906143*
*for whatsapp🪀 and calls📞*

*CHAPTER 43;fourty three*🔥


*Mai 3*

Mwana wandakabara aiva andibaya pamoyo tarisiro


yangu yose yaiva yatova paari ,nzenza mbiri Tiara
naKiara vaiva vandiratidza pachena kuti
ndakabarira sango ,Zvino ishamhu rudziiko yandaiva
ndarohwa nayo nowekumatenga kna pekubata
chaipo ndakapashaya
Mwana wangu wepamoyo Miara waiva abata
pamuviri , akambotanga achiramba kutaura muridzi
aiva akarima gombo akatodyara mbesa dzaiva
dzatomera mudumbu memwana wangu , asi ini
ndikati bodo ndotoita wekuforcer habva mhinduro
yandakazopiwa yakandigura kunorira , ndinozviti
ndine hasha asi ipapo dzakaramba kushanda ,
ndakaita sendinorota

Kutsi kwemoyo ndakafara sezvo mhuri iyi yaiva


nerudo kubva kare nemwana wangu ,svondo raiva
radarika taiva tafara nokukunda kwevana vedu vachi
graduater kusvika pakuchinjana number 2
dzerunhare nevandaiti Mai vaGidza avo vaiva
vatova vasahwira vangu kusaziva hangu zvaiva
mumoyo mavo ,zvose izvi yaingova fungira mumoyo
rwendo rwembwa , manhenda rakudzosa dutavanhu
reku rally yemusangano , ndaiva ndakangobata
musoro uku ndichisweater ndakagara paSofa apo
pandaiva ndazvikandidzira kuri kupererwa,
Usavimba chero nhengo yemuviri wako ,mabvi angu
kutoramba kunditakura nhai ndakatoita zvenharo
ndikasimuka kuti ndinorara kubedroom kwangu,
ndaingodzungudza musoro ndikasvika pakuseka
ndega ndikati ummm izvi ndizvo zvinonzi nevakuru
chigadza pasi mimba yemhandara, imba yangu
yakava itsva kwandiri ,nemwana wangu Miara akava
muenzi chaiye pamusha pangu zvinhu zvose
zvakandichinjira ndikanzwa kukangwa mate
mukamwa , Ndikapinda mubedroom mangu
ndikapfungama ndichichema ndikati
```nhai Mwari munyama rudziiko wekuti ndafara
zuro nhasi idindimitibvu rudo rwenhopi,ndiSatan
here asingade kuonawo nyemwerero yangu ```

Handina kuzotaura zvakawanda


ndainzwa kuti ndabaiw panyama nhete nehura
hwangu. ndaiva ndotozviona ndava chiseko chenyika
zvokwadi vana vose vatatu vongopera hre kuita
zvisina maturo kushaiwawo kana 1 anoenda
nemuchato here , shungu dzekubereka
ndokundikurira ndikabudisa misodzi ikayerera
zvikabva zvandidzorera pfungwa dzangu kumashure
ndikatanga kuchema ndichiti
```baba vevana ava vakavaramwa vachiri vadiki ini
wacho vakandiramba vachinoroora umwe mukadzi
ndikarwadziwa asi ndakashingirira ndikashanda
nesimba ndikapinza vana vangu chikoro , varume
vaiuya vakanda vachitoda zvewanano neni asi
ndairamba nekuti ndai protecter vana vangu ,
ndakashingirira kuendesa vaviri vacho kuUniversity
dziri shungu dzekuti vagova neramangwana
rakanaka asi chakabuda hapana vana
vakanopanduka kuita mhuka dzemusango , ndoti

😭
ndafarawo Miara wava lawyer pasina mazuva
ndoona ane nhumbu, iiii hiiii hiiiii
ini panyika ino```
ndakatadzeiko

Ndakazoita zvekubiwa nehope dzikazopera futi


kuma5 ndikabva ndotomuka ndichiita zvemu garden
mangu
Miara akazomuka ndikanzwa kurerukirwa achiti
Gidza wacho aiva abvuma kuti vauye
ndakamuperekedza kwavatete vacho mai Stan
ndikanomusiya kuti vagomuperekedza kwana Gidza
kwacho , ndakadzokera kumba ndikazama kudya
chikafu chikaramba kudzika ndikangomwa mvura
ndikagara pasofa, moyo wangu wairwadza
ndaitonzwa kuti this house is empty , ndaiva
ndangomirira kuzonzwa natete macho vacho kuti
aiva anotambirwa here Mwana wangu

*Gidza*

Pandakabva kutaura naMiara achindiudza


zvenhumbu ndakanzwa kupera power
ndikadzungudza musoro ndichinzwa kutsva
ndaitonzwa mazi confusion hanty Brenda aiva ataura
futi zvekuti ane nhumbu yangu , ndakangozvisimbisa
ndikati Brenda akangouya chete ndomurambira kana
azoita nharo toita maDNA tests just to make sure ,
kana iri senhumbu yaChoco ndaiva ndisina doubt
kuti ndeyangu because I trusted her and zvakabva
zvanyatsa kumaker sense nehope dzaDad vangu
ndikanyatsa kuona kuti yah this issue is serious

Ndakatora fon yangu ndikafonera PJ ndichimuudza


zvenhumbu yaChoco akatanga kuridza muridzo
zvikanzi

📞
" Hoyooo mujaya makazviita here mhofela yah you
are a real man dude "

📞 saka uri kufarei ipapa newewo handisi


kukuchenesa panyaya iyi unenge une chekuziva
pamusoro pekudhakwa kwedu naChoco iwe , inini
nditori pama1 xaa unoti Mudhara naMoms
vanozvitora sei ipapa

📞
Ndizvo vandakamupindura kudaro iye akangoseka
akati "dont wur my guy ndikuuya imomo then
ndokuperekedza kuBorrowdale tonotaura nana
Mdhara naMoms "'

And for sure akauyawo tikaenda kumba tikatowana


vanhu vachidya breakfast ndikati kuna Nelly

"Ko iwe hausati wadzokera kuJoni" ?


Asati apindura mhamha vakati "iko kwakanaka hre
kwatasvikirwa kuseni kuno"

Takangovhara vhara Natty kaingozhinya zvako sezvo


kariko vaiziva nyaya yose , takazoti tati gare gare
kwabva ndaisa nyaya yangu mudariro
Dad vakati

"Ndewepi musikana Wacho"?

Ipapo pakandiremera kudavira PJ sasahwira mukuru


akandi saver akati "ndiChoco Dad"

Vanhu vose vakaratidza kuvhunduka chero Natty


kakanyeperawo kuvhura maziso nemuromo
zvenhema zvekuti dai ndaisava pangu yachumbetu
ndaiseka but situation yaisandibvumidza

"Ah hapana chakaipa hapo kana maifambidzana asi


kuramba kwamakaita hakuna kunaka tichatarisana
sei namai vake handiti tinozotoita sematsotsi kuti
takapinza mwana wavo chikoro kuti iwe uzomupa
nhumbu"

Vakataura zvinyoro nyoro Dad vangu asi mai Nelly


vakati munonyepa mukadzi akadya marasha zvake
iyeye vakati
"Of all the girls wonzi wamitisa Choco are you not
ashamed of yourself hee hautonzwi kuzvinyarira hre
iwe handidi kumuona pano ngaanange kuWaterfalls
kwako"

Dad vakapinda busy kudzora mhamha and


ndakatoona ipapo kuti Nelly aiva kuside
kwamhamha nekuti akazoti

"Ini hangu handina kumbobvira ndakafarira kaChoco


kenyu ikako , hazvishamise kakatobata mushonga
kuti kadiwe naGidza uyu"

Mhamha vakamutsigira vachiti "chokwadi ini hangu


zvekuunzirwa varoyi pamusha handide"

Dad vakafonera vatete mai Cathy vakauya nyaya


ikataurwa mhamha vakada kupaparika asi vatete
vangu vanonzi Chihera zvee zvakakweshana kusvika
mhamha vangobvumawo kuti zvivabve

Handina kudya nestress day iroro ndaingonamata


kuti dai mhamha vakasaita drama ravo pamberi
pevayenzi asi munamato wangu hauna kunzwikwa
nekuti mhamha vakandinyadziaa netsamwa
yavakaridza pandakabvuma kuti yes musikana
ndinomiziva

Ndakaona Dad vachiratidza kupererwa asi tete mai


Cathy semunhu mukuru vakazongoti enderera mberi
vachiti

" tafara nekukugamuchirai mumusha uno saka


sunungukai zvenyu "

Vakadaro vatete vaChoco vakabva vaombera , nyaya


ikapera vanhu vakadya chikafu Choco
ndaingomutarisa neziso rekubirira ndichimuona
hangu akatarisa pasi , Natty aimira Mira kani uku
uchinyatsa kuona mufaro pameso pake , Nelly
naMhamha ndivo vanhu vaiva vakatsamwa zvekuti
waisada kuudzirwa waiona wega

Vaenzi vakazoratidzwa room yavo vakanorara ,


mhamha vaiva vakamudhura vakangosimuka
without saying goodnight vakananga upstairs
kubedroom kwavo , same naNelly,

Ini naPJ tikanorara muroom mangu , ini ndaitonzwa


kuneta zvangu zvikanzi naPJ

" I can't believe kuti watova baba xaa manje manje


takutitarisira kaJunior Gidza" .

Ndakangoridza tsamwa ndikafuga musoro


ndakamirira zvaizotevera the following day......
*Stay tuned*

*end of chapter 43*

*chapter 44 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*
💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 44;fourty four* 🔥


*_Narration_*

Brenda akatanga kuendeswa kumafaro naAlfred


vachidya mari , shungu yake yaiva pakuti kana
azongonetawo nekudya mari yaAlfred ozongomusiya
oenda zvake kunotizira kwaana Gidza uyo waaiva
agara audza kudhara kuti ane nhumbu saka
aingovimba kuti auto , kusaziva kuti aiva adya
manonoko mujaya aiva atizirwa zvake naChoco

Melliser shamwari yaBrenda aingova munhu


anoremerwa , chinhu chinonzi secret chaicho aiva
asingagone kuchichengeta muhana make , plus aiva
otobatwawo nemweya wekuda Alfred , akabva audza
Alfred zvose zvekuti Brenda aiva nenhumbu uye aida
kuipa munhu asiri muridzi , Alfred akarwadziwa
nazvo akafungawo kurwadzisa Brenda nekudanana
neshamwari yake Melliser , nguva yese yaiitika izvi
Brenda aiva murima pasina chaaiziva zvake

Ndiko saka vakuru vakati nhamo yemumwe


hairambirwi sadza chokwadi , Choco aitonyaudzwa
natete vake avo vaiita magwiriri uku vakarara hope
dzekukangamwa kuti mangwana vaiva vakamirirwa
nekutamba chiroora , Choco aingopinduka hope
dzichiramba kubata, pfungwa ndidzo dzaiva
dzamuwandira aiti akafunga mabvumire akaita
Gidza nhumbu osara ane mubvunzo kuti asi Gidza
ndiye aiva akaronga tsoro iyi , ozofungazve PJ
nekakumuremekedza kaaiva ongomuita osara zvee
nekunetseka , akangotura befu achitaura
nechemumoyo kuti PJ handimuchenesi
Aizoti akafunga Natty nemashoko ake nekuti {you are
now going to be my original makoti } osara zvee
achinetseka kushaya kuti zvaimbofamba sei ,
akazobatwa nehope hamenoo kuma nguvai idzo
dzakazongoitawo zvekumuba

Vana Miara natete vake vakamuka vakaita mabasa


sevaroora ,vakaratidzwa paiva nezvekushandisa
namaid wepamba pana Gidza , vakatsvaira chivanze
chose vachiunganidza marara kuita zvitutu zvitutu
vasingaabvise , vakadziisira munhu wese aiva pamba
mvura yekugeza asi Nelly akairamba vose namai
vake vachiti tageza kare, tete vaGidza vakati vavava
kupopota
"Iwe Nelly usandisembura hunhu rudzii hwaunoda
kuratidza pane vaenzi , ndinozviziva kuti hamudi
muroora uyu iwe namai vako asi ndizvo zvativapo
nekuti ndiye anodiwa naGidza wacho chitodzidzirai
kumuda "

Nelly akada kuti " but tete..."

Havana kumusiya achipedzisa vakabva vamuti " but


tete but tete kuita sei kurumidza kutora bucket iro
unogeza ndisati ndakukwatura usada kujairira manje
ini ndasiyana namai vako vanokubhabhadzira kaa
ini ndinokukwatsamura makuseni ano ukaswera
watonhorerwa matsvuko iwayo"
Nelly haana chaakataura akangotora bucket riye
akanogeza kwabva adzoka akaisa 5 dollars mubucket
muya vana Choco natete vake vakatenda , Natty
akaisirwa mvura akati

" ishoma iyi wedzerai ndiri kutoda yekugeza muviri


chaiwo"

Sevaroora Choco natete vake vakamuisira mvura


yakawanda akanogeza akauya akaisa 100 US
mubucket vatete vaMiara vakasekerera kuri kufarira
mari , nyemwerero yaiva pameso paNatty waingoona
wega kuti munhu ari kunzwa kuzadzwa nemufaro.
Gidza aitoshayiwa kuti oita zvipi kufara here kana
kutsamwa aiva pakati nepakati chaipo nekuti hondo
yaiva yakamirira mberi mberi aiiziva ,nyaya
yaBrenda ndiyo yaitomushaisa mufaro aiitya kuti ko
Miara aizozvigamuchira sei kana Brenda akazenge
auya achiti ane nhumbu yàke

Mai vaGidza vakaramba zvachose kugeza mvura


yevaroora vavo zvose nechikafu vakachiramba asi
vakaudziswa navatete mai Cathy hanzvadzi
yemurume wavo , ivavo vaiva vachihera vakakwana
vaiva vasina Basa kuti pane vaenzi

"Saka imi mai Nelly nenjere dzenyu shanu dzakadai


muri kutoona zvamuri kuita zvichiitawo here
pamberi pevaenzi muri Mai rudziiko vanoda
kutsvagira mwana mudzimai wekuroora
muchiramba waanoda , hoo nhai makangamwa
cházuro nehope imi zvamakamitiswa nhumbu
yaNelly iyeyu akagara apa mhuri yese ikakurambai
handina kumira nemi here ini , ndipo pamaifanira
kutora chidzodzo ipapo kwete kuramba mongoita
sepwere kwenyu kusada muzukuru here handiti dai
murimi number 1 kufarira muroora pano , kuda
zvinokunakidzai zvee kuramba muchingonzi mai
Nelly chero machembera "

Mai vana Gidza vaizviita shasha yekupopota asi pana


vachihera vaisati bufuu chero shoko , and vaivatya
vätete vavo ivavo , asi vakangotarisa murume wavo
neziso riya rekuti baba mwana mune shuwa kurega
ndichishaudhwa muripo zvenyu, habva murume
wavo akatotarisa zvake kuside kuita kunge asipo
Vätete vaMiara vakazofonera Stan mwanakomana
wavo kuti auye nemotokari yake kuzovatora asi
vasati vaenda vakambotorana nemwana
wehanzvadzi yavo voenda muroom yavaiva vakarara
vakasvikoraira mwana wehanzvadzi yavo vachiti

"Mainini musha umwe neumwe une zvawo ini


ndaona sekuti vamwene havana kufara nekuuya
kwawaita mumusha muno asi chazvanakira une
vatsigiri vanokuda uye murume wako chaiye
anoratidza rudo ndiona matarisire aanga akakuita
pawanga uchipa vanhu chikafu , asi pano potoda kuti
umire segamba mwana wehanzvadzi , kana ndichiti
Mira segamba handireve kuti tuka vamwene vako
kana kuti usavateerere ndinoreva kuti mabvi aya
ngaashande munhu kunyengetera , gara
uchinamatira imba yako usakundwa nemiedzo
yaSatan inenge ichida kukuparadzanisa nemurume
wako "

Choco akagutsurira musoro achinzwa mashoko


makukutu aibva mumuromo mavatete vake ,
vakazogovana mari yavo yavaiva vapiwa Choco
akatomboti "tete torai henyu yose"
Asi vatete semunhu mukuru vakangotora 40 dollars
vakati "iyi imari yako yokutengesa midziyo yako
yemumba , usazokangamwa dzidziso dzese
dzandakakupa mwana wehanzvadzi , ini ndava
kuenda Stan watoisa massage achiti ava pagedhe
apo"
Vatete vaChoco vakaoneka vakaperekedzwa kugedhe
naPJ naGidza uye navatete vana Gidza and vakatobva
vaexchanger macontacts ipapo

Mai vaGidza vaingonzwa kusvotwa naChoco pasina


zvaakavatadzira kubvira kare vaingomuvenga ,
chavaimuvengera yaiva nyaya yekwaaibva aiva
achibva kumhuri yakadzikira mhuri isina mari , ivo
vaiva vanhu vakakwirira vanotamba nevanhu
veclass saka vaitarisira kuti mwana wavo
achavavigirawo muroora anobva kumhuri
yakakwirira not Choco

Mumba makambosara muine runyararo kubva paiva


pabuda vatete vaChoco ,baba VaGidza ndivo
vakazogadzirisa pahuro vakati

" iyi yatova mhosva yava pano muroora mangwana


wofonera tete votitsvagirawo munyai tinoreva
mwana wevâridzi handiti ndizvo here vakomana "

Gidza naPJ vakagutsurira musoro mai Nelly vakati

" munonomuroora nemari yaani sekunonzi murume


wake anoshanda "?
Baba vacho vakati
" ndinonomuroorera zvee handiti mari yacho iripo
zvayo , ko imi munorwadziwa nei "

Mai vaGidza vakarwadziwa kuti mari yemurume


wavo yonzi inonoroora Choco vakangoridza tsamwa
asi chekuita paiva pasina
Vaiva vafunga kuzopanicha Choco vachimushandisa
sedhongi pamusha pavo asi vakazorohwa nehana
vatete mai Cathy vachiti

"Zvazvanakira mukomana akatenga imba yake kare


saka sezvo imi maiguru maratidza kusafarira
muroora wenyu ndichasiya ndamuendesa
kuWaterfalls mangwana chaiye "

Mai VaGidza vakavhura maziso zvekushamisika


vakati

" ah tete makuzonyanya kutonga musha wangu


hamuzvionewo here imi saka munoti munonomusiya
kuWaterfalls mangwana ange atotamba chiroora
chacho nguvai "

Vatete vasati vapindura Baba vaGidza vakati


" handione paine chakaipa kuti musiye mavaendesa
kumba kwavo munenge magona vatete , pano
vanongozouya zvavo kushanya and vana
vanombodawo nguva yavo "

Mai vaGidza vakaridza tsamwa vakati

"Magara munondidzvanyirira pano pamusha


hamumbotereriwo kuside kwangu muchingoita basa
rekuronga zvinhu zvenyu nehanzvadzi yenyu hiii
hiii" akatanga kuungudza vanhu vakashaya kuti
kwaiva kuchemera muroora anzi aienda kunogara
kuWaterfalls here kana kuti chii........

*Stay tuned*

*end of chapter 44*

*chapter 45 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*
*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 46;fourty six* 🔥


*_NARRATION_*

Kiara aiva akagara zvake pasofa achizviponda


nemabisciuts ane cream awo aiva atora pazvinhu
zvishoma zvaiva zvabva kutuckshop yake yekubroker
iya , saka mai vavo vaiva vavati vadye zvavo , Tiara
waiva busy kubaya fon yake ava mai 3 vaiva
vakagarawo Padova asi maziso chete ndiwo aiva
akatarisa paTV asi pfungwa dzavo dzaiva kure ,
vaifunga mumvama wavo Miara vakabva vatora fon
vofonera tete vachida kunzwa kuti zvaiva
zvanofamba sei zuro wacho, vainzwa kumutyira
Miara sezvo vaiziva kuti munhu uya asingagone
zvekutaura saka semubereki vaiva vazvipira zvavo
kuti kana achinge anorambwa kwana Gidza vaizotora
mwana wavo vochengeta muzukuru wavo
sekuchengeta kwavakangoita matriplets avo
mushure mekunge vasiiwa nomurume,
Vakatora fon yavo vofonera vatete mai Stan

📞 Eh hallo ndiyani
📞 ndini mai 3 ,tete ndanga kunzwa kuti makafamba
zvakanaka here nezuro uye makanogamuchirwa
zvakanaka here

Vatete semunhu mukuru havana kudawo kutaura


zvakawanda pamusoro pezvavaiva vanoona
mumusha waana Gidza

📞
📞 eh mai 3 wamuka sei muroora ndanga
ndichakufonera hangu , ipapa ndatotuma mukadzi
waStan anonditengera juce card kumashop , asi
zvawatofona zvanaka , haa isu takanogamuchirwa
zvakanaka uye mhuri ine rudo iyoyo usambonetseka
zvako muroora mwana agere muupfu iyeye

📞 haaa horait vatete mukadaro masunungura moyo


wangu

Vakadaro mai 3 vachinzwa kurerukirwa , vatete


vakazoti

📞 zvino ndabva kufonerwa naiye Francis achiti


nehure rake riye vanetsana kusvika
pakutonodeedzerana mapurisa kwanzi nyaya yacho
ndeyekuti uyu Mwana wemukadzi hanzi ane
nhumbu zvino hamenoo kuti zvazofamba sei
vakasvika pakurwa haaa nyaya dzacho dzakaoma
muroora rega tigonzwa ati ari mumota kutouya kuno
nemabag ake apiwa peace order nemapurisa kuita
kumubvisa pamba nechisimba chaiko

Mai 3 vakashaiwa kuti votii chaizvo nenyaya


dzavainzwa idzi vakangokata fon yavo vakatura
mafemo , hongu vaiva vasiiwa nemurume asi vaiva
vasina kurambana kna kutukana nyaya yaingonetsa
ndeyemwana mukomana chete , Hongu murume
wavo vaiva vachiri kumuda ndizvo zvimwe zvaiita
kuti varambe vamwe varume vose vaiuya
vachivasvitsa mashoko nekuti vaiva nevimbo yekuti
rimwe zuva kuda murume wavo achadzoka
achikumbira ruregerero vobva vatangira pavakasiira

Melliser shamwari yaBrenda aiva atonyura murudo


naAlfred ,vaidanana zvavo uku vedu vaBrenda vaiva
vari murima. Vaiva vatoenda kumaintroductions and
vaiva votofambira nyaya dzemarooro.

Brenda akabva pachikoro akaenda kumba kwavo


ainzwa kusuwa 1 of her little sisters , nhumbu yake
yaifarira Shanel asi Shenon yaisada kana kumuona
akasvika pamba akawana murume wamai vake
akagara muding achiona bhora paTV asi haana
kuvamhoresa ainzwa kuvavenga hatichazive kuti
zvaiva zvenhumbu here kana kuti aiva akagara
akangovavenga , akangodarikira kubedroom kwake
apa dumbu raiva rotoonekwa kukura zvichinyatsa
kuratidza kuti ane nhumbu

Baba vemusha vakada kumisa musoro vachibvunza


mudzimai vavo kuti nhumbu yaiva naBrenda
ndeyani asi mhinduro dzavaipiwa namai Brenda
zvose naBrenda wacho dzakavasiya vasina
remuromo , Brenda akanyatsa kuvati

"Munondibvunza zvenhumbu yangu makamira saani


pano , hamusi baba vangu imi tongai venyu vana
Shanel naShenon vakagara apo "
Murume mukuru akanzwa hasha agofunga kuti
ndiye aiva achibhadharira Brenda kubva secondary
level kusvika kutetiary kwaaiva ava zvakamurwadza
akati

"Mai Bee unonzwa mwana wako anondipindura


rough , ini ndakasiya mhuri yangu ndikafuratira
vana vangu ndichibhadharira mwana uyu chikoro asi
nhasi ondishaudha semutorwa"

Mai Brenda vakati vamira nezvigumwe uku


vachipaumba kupopota inzwi riri padenga , semunhu
aiva agara vachiita zvechipfambi vaiva votodanana
neumwe truck driver saka vaitoda kudzinga Baba ava
pamusha kuti vawane kusara voita madiro

"Dzokera kumukadzi wako ibva pano undisiye


nevana vangu , handina basa newe ini , driver
chisokoro sikoro chako ubve pano"

Vakadaro mai Brenda vachitosundidzira murume


panze , ndipo pakatangira Hondo ipapo vakatanga
kurovana vachipotserana nemidziyo yemumba
kusvikira vavakidzani vafonera mapurisa
Mapurisa akauya aiva echirume and 1 wacho aiva
chimwe chezvikomna zvamai Brenda saka mhosva
yese yakapiwa kumurume , Murume mukuru
akarongedzeswa hembe mumonarch akaisa muboot
akadzingwa pamusha sembwa , Shamel naShenon
vakachemera kuenda naBaba vavo asi mai vacho
vakavarambidza , uyuwo Brenda akabva atofunga
kufonera Alfred achimukumbira mari yekuti mai
vake vatange business sezvo zvaiva vadzinga munhu
aivachengeta , chaasina kuziva ndechekuti Alfred
aiva atori naMelliser mutown vachitsvaga maJava
avo ekuzopfeka pamarooro

📞 eh helloe Alfred bae

Akadaro Brenda nekavoice kemunhu aida


kukumbura mari

📞 wauri kuti bae wako ndiani Brenda siyana neni


you evil demon , nyaya dzako dzese ndri kudziziva,
uri pfambi isina kna nyadzi , stay away from me iwe
nekanhumbu kako, ini ndava kutodanana naMelisser
she is much better than you zi.....

Brenda akaridza mhere iye yeku screamer


akazvikandira pasofa iyo fon ichidonhera kwakadaro
uko

Akaudza mai vake zvaivapo vakabva vatenderana


kunopiwa mushonga kwamai vaye vemaNjuzu nekuti
vaiva vafunga zvekuti Brenda achinotizira kwaana
Gidza sezvo zvekwa Alfred zvaiva zvadhakwa,
Brenda ainzwa kuvenga Melliser nemoyo wake wese ,
Brenda namai vake vakasvika kuna mai vaya
vakataura nyaya yavo asi mhinduro yavakapiwa
ndiyo yakavakandisa mapfumo pasi

"Wakapesa mhiko dzemushonga wekutanga iwe


chisikana , ibvai pano handikwanise kukubatsirai"

Vakabvapo vachinzwa kupererwa nezano , mai


Brenda vakasimbisana nemwana wavo kuti
aizongonotizira kuna Gidza wacho chero vasina
mushonga wavaiva nawo

_Gidza_ ainzwa kushaya pekutangira aishaya kuti


otanga nekukumbira ruregerero here kana kuti
ongotangira pavaiva , imwe pfungwa yaiti tanga
kuconfesser mafeelings ako kuna Choco , obva atarisa
attitude yaiititwa naChoco wacho oona sekuti aigona
kungoudzwa kuti handikude Gidza I'm here just
because of this pregnancy

Mujaya aiva oita kutsva kumusana nekudumbu


akatora fon yake ofonera PJ achimuudza zvaiva
paground

Zvikanzi naPJ

📞 be a gentleman dude , pakadai


ndepekutombokandira pride kure , firstly woudza
mwana zviri paMoyo pako secondly wotanga kumu
treater like a Queen uchitenga tuma nice nice zvekuti
ega anonyatsa kuona kuti apa ndinodiwa

Gidza akatenda sahwira wake , akadzokera mudining


maiva naChoco akamuwanika atobatirwa nehope ari
pasofa akambofunga kumusimudza kunomurarisa
mubedroom asi akatya kumuka achitukwa , akabva
afunga kuti vaizodyei manheru , zvekubika zvaisava
zvake saka akabva a order Pizza nechicken akagara
zvake pasofa riri paOpposite neraiva rakarara Miara
akanyemwerera achiyeva ruva remoyo wake

Baba 3 zvavakadzingwa kwamai Brenda vakafonera


hanzvadzi yavo mai Stan vakavaudza zvose zvaiva
zvabva kuitika , murume mukuru aikurirwa
neshungu uye vainzwa kuzvipa mhosva nokuda
kweubenzi hwavaiva vakaita hwekufuratira mhuri
yavo vana vatatu namai 3 mudzimai akatsiga
vachinoroora nzenza , zvino nzenza iya yaiva
yavaratidza pachena kuti hainei navo kusvika
pakuvadzinga pamusha

Vakadriver mota yavo vakananga kuTafara kumba


kwamai Stan hanzvadzi yavo pfungwa nendangariro
zvichivadya

"Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kwandabva uko


vahanzvadzi "
Vakadaro baba 3 vachitaura nehanzvadzi yavo mai
Stan vakati

"Haiwa newewo uri dzungununu chairo iwe


waitoona zvine zano here pawairoora Bhichocho
iroro , iya ipfambi yemuroad pachezvayo iya, zvino
iwe wochitodzokera kumba kwako wonogadzirisana
namai 3 muroora wedu watagara tichiziva "

Baba vana Miara vakadzungudza musoro wavo


vakati " zvauri kutaura mwana wamai vangu sandi
nyore munoti vanozvitambira sei mai 3 nemakore ese
andanga ndakati nyaa aya pasina kana
communication ko kana vavawo newavari
kufambidzana naye "

"Chero vakange vava newavari kufambidzana naye


imi munongogadzirisana moona kudya pfuma
yevana venyu muri pamwe chete, eh imwe nyaya
zvee vahanzvadzi nezuro ndakatobva kunoperekedza
umwe wemhandara dzako kumurume , haaa
pamusha pevabereki vemurume wacho
kuBorrowdheu uko vanongoratidza kuti vanhu vane
mari dzavo "

Vakaramba vachikurukura kusvika vazotenderana


kuti mangwana vaizoperekedzana kunokumbira
ruregerero kuna mai 3 zvese nekuvana , vatete
vakatovata vafonera Miara kuti auye azosanganawo
naBaba vake vachiita family reunite .....

*Stay tuned*

*end of chapter 46*

*chapter 47 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*
*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 45;fourty five* 🔥


*Miara*

Zvimwe zvacho unoguma waseka , mashura


makakatamwa, nharo ,gakava , kudhonzerana
ndozvaiva zvepamusha pandaiva ndapinda musi uyu
.Pachiso chamai VaGidza waitonatsoona ruvengo
nehutsinye pachiso chavo. Asi watete vacho ndivo
vaivagona vaivaudziridza zvekuvasiya vati zii

Paya vakuru pavanoti nhamo yemunwe


hairambirwe sadza hadzisi nhema ndainyangadzwa
nemagwiriri atete vangu vaitodzipfodora havo hope
semunhu asina hake nhamo ini ndaiva mubishi
kuzvitema nemibvunzo isina mupinduri uku
ndichingopinduka sesamba. Gidza aiva abvuma
nhumbu izvozvo zvakandipa mufaro usina aiziva,
ndikanyemwerera zvangu ndichizvibvunza kuti ndini
here Miara ndaiva ndozobatawo wangu mwana
,hongu vaisava mushangu dzangu vanaKiara naTiara
vaifunga kuti mazvokuda asi ndaive ndaisirwa
muteyo newandasaziva , ndaitovawo murima chaimo
kusaziva chaiva chakaitika musi we birthday raGidza
nekuti ndakangomukawo ndiri musame room naye
asi vatete vangu handina kumboda kuvaudza nyaya
iyoyo , ivo vaitofunga kuti ini naGidza tinodana
zvedu ivo vasingazive kuti hapana hapana , Tete
vakazooneka vakasiya vataura mashoko
andakabatisisa , Nelly haana kumbobvira anyepera
kundifarira akatonyatsa kuratidza kuti ari kuside
kwamai vake asi Vatezvara vangu naNatty plus tete
mai Cathy naPJ vaiva kuside kwangu ndisingazozive
hangu iye Gidza muridzi wenyaya nekuti hapana
pandaimbomuona achisekerera kna kunditarisa
zvako aitoita seasina kana basa neni

Pakataurwa zvekuti ndigofonera tete vagotitsvagira


munyai hana yangu yakarova ndorangarira kuti baba
vangu ndaiva ndisati ndasanga navo zvino ndaiva
ndotya kuti pamwe vaizoramba kunyora list kana
kutambira mari yacho semunhu aiva akangotiramwa
kubva tiri vadiki
Moyo wangu wakazonyevenuka pakataurwa nyaya
yekunosiiwa kuWaterfalls natete mai Cathy ,
ndakafara nekuti ndaiziva kuti uko
ndainosununguka pasina mai vaGidza vandaitya,
Mufaro wangu wakazodzimwa namai vake Gidza
vaiungudza kuchema as hapana kana
akambovanyararidza kusara kwemwana sikana
wavo Nelly aingovabhabhadzira kumusana uku
achinditarisa neziso reruvengo vanhu vakavarega
vachichema kana ari saNatty kana kumboita hanya
namai vake aitobaya baya fon yake zvake avawo
Gidza naPJ vaiva vakangotarisa pasi , Ndakanzwa
kuzvishora ndichinyatsa kuona kuti ndakonzeresa
maproblems mumusha wevanhu

Vakazoti zvino vanyarara vamwene vangu vatete mai


Cathy ndivo vakazoti

" maiguru hapana munhu anokudzvanyirirai pano


asi imi ndimi munozvidzvanyirira nekuda
kwekunonoka kufunga isu tinongokuudzai chokwadi
chete, zvandatotaura ndizvozvo mamgwana
ndinonosiya vana ava kumba kwavo "

Pakamboita a moment of silence munhu wese


akangotsikitsira pasi PJ akazobreaker silence achiti
" baba naMai ini ndava kumboenda kumba
tichaonana , eeh tete ndinokuonai ini , gulles
ndichauya kukuonai kuWaterfalls"

Akabudiswa mumba naGidza vakaperekedzana


kumota kwaPJ ndikanzwa yava kumutswa, then
Gidza akadzoka akagarawo pasame sofa raanga abva
akagadzirisa pahuro pake akazoti

" eh ini ndakumbobuda ndakutoenda kuWaterfalls


kunogadzirira vaenzi munongozivawo zvemumba
mebhachura , saka tete ndokuonai mangwana "

Vamwene vangu vaiva vazonyarara asi vachionekwa


kutsamwa vakati
"enda nemunhu wako nhasi and musachadzoka
pano "

Vanhu vose vakaratidza kushamisika nazvo asi Natty


ndiye akatanga kuti

"Mhamha please you are now taking it too far


makambomu vengereiko Choco uyu"

Akanzi "kana uri sewe nyarara kuti zii ndiwe mumwe


iwe uchatondiuraya pano kaa kuti unyatse kusara
uchiita madiro naChoco wako iyeye , ndati Gidza
ngaaende nemunhu wake pano panoti ini "

Ndakatonyatsa kuona kuti mai ava vaiva


nedambudziko chairo nechavaindivengera
ndaichishaya , vatete mai Cathy vakati

"Gidza pinda mumba umo ubude nemonarch


remudzimai wako tione, hatingavamanikidze kuti
asare pano sezvavataura kuti pano pamusha pavo
cheregai ndikuperekedzei ndinokusiyai kuWaterfalls
kwacho ini ndigonangawo kwangu"

Gidza haana kana zvaakataura akangopinda muroom


mataiva tarara natete ndimo maiva nezvinhu zvangu
akanodhonza monarch rangu akabuda naro Natty
achitevera neblanket racho , ini ndainzwa kuda
kuchema ndaitoona kuti paiva pasina kuwirirana
mumhuri iyi , ini semwana akarairwa
ndakangopfugamawo ndikati

"Ndava kuenda mhamha naBaba tinoonana , eh vana


tete ndava kuenda "
Atezvara vangu vakadavira asi amwene vakaridza
tsamwa ,Nelly akaita seasina kundinzwa hake asi
Natty akati
"tiri kuenda tose tonokusiya pamba panoti pako
makoti wangu"
Aitaura zvekusvotesa chaizvo mai vake vakamucheka
neziso asi haana kuchinja pfungwa akatouya
akandisimudza pandaiva ndakapfugama tikafamba
tonanga kumota yaGidza , Ndikasvika ndikanogara
kumashure naNatty tete mai Cathy vakanogara
kumberi naGidza, mota ikamutswa paya vanhu vaiva
vakanyararidzana umwe neumwe achizvibika
nepfungwa dzake , ini ndaiva ndichitonzwa hope
sezvo manheru acho ndaiva ndisina kunyatsa kurara
ndichironga nekurongonora ,
ndakatanga kukotsira zvishoma nezvishoma
kudzamara hope dzabata ndakatozoita
zvekuvhunduka ndava kuzungunutswa naNatty
achiti

"Hey Hey mukai mai Mhofu tasvika "

Ndakada kuseka hangu uku ndichitsokota maziso


angu ndikaona taiva tatova kuWaterfalls nhai
Takadzika takadungamidzana naNatty ,Tete
vakadzikawo Gidza akanotora monarch rangu
mubooty akapinda naro mumba , ini ndaida kutogara
pasi asi tete mai Cathy vakandirambidza vakati
"zvekugara pasi zvasara kuBrook kwatabva uko pano
pamusha penyu isu tisu tingatogara pasi "
Takaseka tose tete Natty vakatanga kurongedza
rongedza mumba macho maisava nezvinhu
zvakawanda zvamo sezvo yaiva kitchen via dining
musame room imomo
"Eh ini handichagarise ndakuonai mosara mogara
zvakanaka imi Mhofu mukadzi ngaachengetwe uyu,
muroora ndine urombo nezvawasangana nazvo uye
nezvaitwa navamwene vako asika ndiko kukura
kwacho chitozvigamuchira zvakadaro , and
necondition yako iyi hazvichade kufungisisa
ungapisa mwana nebp akafa , musare muchigara
zvakanaka "

"Ehoi tete" takadaro tose pamwechete

Natty akaonekawo akati

"Ndinouya kukuonai mangwana makoti bye stay


safe"

Tikambundirana paye ndaiva ndisingachade kubva


paari hana yangu yaiva yorova ndava kutya kusara
naGidza tiri vaviri ndakaramba ndakanamirira pana
Natty misodzi ichiyerera akazoita kuzvibvisa pandiri
akandizevezera kuti

"Be strong everything gonna be fine"

Akaenda ndikamuwaver kusvika abuda gate


ndikasara ndichikweva makumbo angu
ndichidzokera mumba uyuwo Gidza ndichimusiya
akamira paVerranda , ndakasvika
ndichizvikandidzira pasofa akazotevera akasvika
achigara pasame sofa neni apa zvaiva zvatouya
zvangu zvekunzwa kubhowekana naye , Ndofunga
iye aitoshaiwawo pekutangira sezvo taiva tisina
nyaya

Akazoti

"Saka hauna kurohwa here naMoms pavazvibata kuti


une nhumbu" ?

"Ndizvo zvawaifanira kutanga kubvunza


pandakakufonera marimwe zuro izvozvo"
ndiyo answer yandakamupa iye anenge akazviona
kuti ndaisava mumood yekutaura naye nekuti
akatobvawo anyarara ,akatosimuka pasofa pandaiva
akabuda panze ndikamunzwa achitaura kuseri
kwemba ndikazoona ava kupinda nevamwe mother
vagiant vachiseka seka vakasvika vachindimhoresa

Iye Gidza akati

" Choco ava ndivo mother vandakagara navo pano


vanonzi mai Kisha , eh gulles ava ndivo Madam
vangu "

Ndakangoti tafara nekukuzivai ivo vaitoonekwa


kutaurisa vakati
" haa bamunini mandigonera ndatowana munhu
wekutaura naye nyaya kana ndiri paoff seizvozvi "

Havana kugarisa zvavo vakabva vabuda tikasara


tichidzokera pasilent mode pasina aitaura
neumwe.......

*Stay tuned*

*end of chapter 45*

*chapter 46 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*
*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 47;fourty seven* 🔥


*Miara*

Ndaiva ndakagara zvangu pasofa ndichangobva


kuhope nditori busy kutsokota maziso angu
ndichitoona kuti ndaiva ndararisa sezvo kwaiva
kwatodoka, ndikanzwa mafootsteps achibva
kubedroom ndikaziva kuti ndiGidza uyo akasvika
akagara pasame sofa randaiva ndakarara akaita
kuswedera padhuze neni zvekuti ndaiva ndisisina
kugarisika, iye akazviona akagadzira pahuro pake
akati

"Hey"

Ndikatiwo

"Hi"

Zvikanzi " ummmm wachinja Choco why , you are


giving me a cold shoulder hausi kütomboratidza
kufara chii "

Ndakaramba ndakanyarara ndichishaya answer


chaiyo yandingamupa pfungwa dzangu dzaitova kure
ndikavhunduka munhu akochekera ruoko rwake
pamaShoulders angu ndikanzwa mudumbu mangu
kukikker zvine Simba ndakaita kuvhunduka nekuti
ndiyo yaitova first time mwana wangu kukiker
ndikati
"awwwww " uku ndichibata dumbu rangu iye
akavhunduka achindibata bata padumbu akati
" chii muri kurwadza here mudumbu ndikumhanyise
kuhospital ,"

Ndakadzungudza musoro iye akati "saka chii"


Ndikati "mwana akiker"

Akabva anyemwerera zvikanzi "ari kufarira baba


vake vari padhuze naye"

Ndikaramba ndakanyarara iye akazoti


"I think yu are hungry chienda unogeza ugouya
uchidya ndakunodziisa chikafu"

Ndakangosimuka ndikananga mubedroom make


ndimo maiva nebathroom yacho ndikanowanika
mvura yato vhurirwa kudhara mutub ndikaseka
zvangu ndichiziva aiva mabasa aGidza ,
ndakangopinda mutub ndikambogara ndichinyatsa
kuteerera kamvura kacho kainyatsa kudziya
zvandaida ,ndakazogeza ndikachinja hangu kwabva
ndadzokera kudining ndikawana mujaya achimira
mira kudira majuice muma waterglass patable pane
chicken and pizza ndikangosvika nekutogara pachair
ndikapiwa plate yaiva nechikafu changu ndikamira
kudya ndaida kutanga ndanamata zvandaiva
ndajaira kumba kwedu asi it was too late nekuti
umwe wangu aiva atoisa chicken mumuromo
akasimudza musoro akaona ndisiri kudya akati

" chii hausi kudya wani or ukuda ndiuye


kuzokudyisa"
" aewa ndandichida kutanga ndanamata manje
ndaona wakutodya kaa "

Akaseka zvekurevesa akazoti


"Sorry but you should have tell me ndisati ndatanga
kudya tonamata manje its too late now tozonamata
mangwana "

Takadya takanyararidzana ndini ndakatanga kuguta


ndikatakurana neplate yangu ndikanoiisa mudish
ndichida kuisuka Gidza akasvikondirambidza
ndakamboda kuseka zvangu achiti "look bae yu don't
have to do all this I will do it myself or I will find you
a maid"

Ndaida kutomuti maid wei mu2 rooms muno? But


ndisati ndataura
my phone started to rang ndikanoitora paTable
payaiva , it was my auntie calling

📞 eh mainini masara zvakanaka hre nhai


vaMancube

Ndakaudza tete zvese zvaiva zvasara zvichiitika


kumba kwana Gidza , then ivo vakandiudzawo
zvekunetsana kwaBaba vangu nemukadzi wavo
kusvika pakuendesana kuMapurisa nekuzodzingwa
pamba kwavaiva vaita

Tete vakazopedzisa vachiti


📞 saka wondikumbirirawo kuna babamunini vangu
kuti vakubvumidze kuuya tiite Family reunite
mangwana kumba kwenyu Baba vako vachikumbira
ruregerero to all of you ,chero ndisingazive hangu
kuti mai venyu vakachazvigamuchirawo sei

Hatina kuzotaura zvakawanda navatete vangu we


said our goodbyes then dropped the call , ndikaona
Gidza akagara pasofa achiona Bhora paTV ndikasvika
ndichigarawo pasame sofa naye iye akanditarisa
kuface maziso edu akatarisana ini ndikakasika kuita
look away , kwabva ndagadzirisa pahuro ndikati

"Mangwana ndikuenda kumba kune family reunite ,


my father is back "

Ndaitarisira kuti achabvunza mibvunzo hobho but he


didn't akangoti

"Its oky I will get you a driver anonokusiya


nekuzodzoka newe since zvisingachaite kuti inini
ndikuperekedze sezvo ndisati ndanokubvisira "

Ndakamuti "don't wur yourself ndoenda nemacomby


"

Iye akati " ko nharo ndedzei kna iwe usingade hako


kuperekedzwa nemota I'm doing it for my child ari
mudumbu mako "

Ndakaona kwaiva koda kuenda nyaya yacho


ndikakasika ndanyarara zvangu , and ndakatanga
kushama n'ai ndaiva ndava kunzwa hope apa zvaiva
zvauya zviye zvandaiva ndajaira kumba kwamai 3
zvekuti every time pandinenge ndava kunorara
ndinodya 2 or 3 maspoon edovi
Ndakamboshingirira kuzvi ignore ndikazosvika
pakumuti

"Ummm eeh mune dovi here muno"?

Iye zvakatomunetsawo nekuti akatora time asina


kundipindura akazoti

"Obvious no , remember ndanga ndiri bhachura kaa


ini wakamboona bhachura rinobika muriwo une dovi
kupi"

Ini ndikati "murivo wega ndiwo unoiswa dovi hre


chero rice wani , ndikutonzwa hangu kuda rice rine
dovi "

Akaramba akanditarisa zviye zvekupererwa akazoti

"Haa zvakaoma , manje kwava kuma past 9 ,


mutuckshop avhara saka ndogona kungomhanya
hangu kuChoppies iri kuRetreet uko "

Ndakamurambidza ndakangopinda mubedroom


kunorara ndikambofunga kuwaridza pasi ndikaona
pasina blanket racho rekuwaridza it seems like Gidza
wacho aiva asina kuzombotenga amwe mablankets
kubva paye saka ndakangorara pasame bed naye but
umwe neumwe akafuga blanket rake , and Iye wacho
haana kumbotaurawo zvakawanda akàtokurura
hembe yake yekumusoro ndichiona ndikaona ava
kubvisa belt kuti akurure jean raaiva akapfeka
ndikanyepera kukosora ndichida kuti aone kuti
ndakamuka but akaramba achitoda kuribvisa
ndakatarisa kusvika ndazozvifugidza kumeso
ndiriini

Mangwana acho ndakamukira kutsvaira mudining


ndikagadzisa masofa nekukwesha stove ndikashaya
kuti ndobikei for breakfast mumba macho maingova
nerice necreate yemazai chete , ndakangoseka
ndichishaya kuti airarama sei pasina upfu ,
ndakanovhura mufrige ndikawana mune 5 kg
yemachicken cuts nemasousages nezipolony riye
zihombe. Ndikabuda panze ndichida kutsvaga
mutsvairo wepanze ndikawana mumwe musikana
achitotsvaira ndikamumhoresa , ndikaona mai Kisha
mother vaigara kuseri vakabva vatondi introducer
kumusikana uya , ainzi Pretty and aiva musikana
wawo webasa , takafara kuzivana naPretty uya and
airatidza kuva munhu akangwarisa waingoona
nekumhanyisa maziso kwaaiita ,
Gidza akazomuka ndatopedza mabasa angu ndaiva
ndatocleaner mudining nemubathroom nekusprayer
air freshner
Zvaiva zvisina kumbonditorera nguva nekuti maiva
nematiles saka kwaingova kutsvaira nekumoper
chete,

Akamuka akandiwana ndatogara mudining apa


akauya asina hembe yekumusoro uku kuzasi ane
kaboxer short kanosiya zvidya zvose panze ,
ndakangotarisa pachest pake by mistake ndikaona
zvibvudzi zvaivapo ndikatanga kunzwa kumerera
apa mudumbu mangu muchivhunduka vhunduka
Iye akazviona kuti ndaiva ndaramba ndakamutarisa
akati

"Good morning ko kuramba makanditarisa I hope


Kwakanaka hako "

Ndakanzwa kunyara ndikagadzirisa pahuro


zvenhema ndikashama muromo ndikatadza
kubudisa voice Iye akazoti

" ukudyei this morning muno mumba mungori


nemazai chete , I don't know kna uchimada, and
ndokumbirawo undinyorerewo list rezvinhu
zvauchada muno mumba ndigonotenga or I will just
give you the money wodzoka uchitenga wega
mutown"
Ndakamuti atenge chingwa akanopfeka bottom rake
rebrown nevest yake yewhite zvaiva zvakamufitter
ndikayerekana ndamedza mate ndakamutarisa
achibuda gate akauya akabata loaf rechingwa negaba
hombe redovi
Ndakafrayer mazai ndikatora polony mufridge
ndikasetter table ndikanomudeedza ndikawana ari
pacall achitaura naDriver aizofanirwa kuenda neni
kumba kwedu ndakamboda kumuti "I can manage to
drive myself "
sezvo lisence yangu ndaiva nayo kudhara

Ndakanogeza ndikavhura monarch rangu ndikatora


hembe dzangu ndikanochinjira mubathroom sezvo
Gidza aiva mubedroom hamenoo zvaaibaya baya
paLaptop pake , akazosimudza musoro andiona
ndava kubuda mubathroom ndachinja
akangonditarisa zviye zvekupererwa akazoti

"Kana wadzoka urongedze hembe dzako mucloset iyo


iri kuleft "

Ndakazobuda naDriver wangu wandaiva


ndatsvagirwa and akatipa his new care Fortuner
yaaiva abva kutenga yaiva yakanaka zvisingaite ,
takangoitana ma bye bye nemaoko no hug no chii .

Ndakapa driver vaya madirections tikanosvika


pamba ndikatowana paka parker imwe Hondafit
paside peyamhamha ndikaziva kuti vana tete naDad
vaiva vatovapo already , Kiara ndiye akauya
akavhura gate uku achidya mabiscuits ane cream
achiita kunanzva zvigumwe ndakaramba
ndakamutarisa mumaziso ndikaona kuti something
was wrong with her , ndikatarisa tsafu dzake
ndikaona akazara mazi stretch marks aaiva asina
ndikaona musiyano wekuratidza kuti aisimba chero
hazvo paiva pasina kukwana chero week zvaro
ndabva pamba asi Kiara kumuona kwandakaita
ndakatozviona kuti aiva achi developer machanges
pamuviri pake , haana kundimhoresa neniwo
ndakamusiya akadaro kuda jealous raiva rabata kuti
ndaiva ndadzika muFortuner yemurume wangu

Ndakazopinda mumba ndikawana mhamha


vachichema uku vatete vachivabhabhadzira
ndikaona baba vangu ndikaita kumhanya ndichiita
kunowira pavari ivo vakandimbundirawo back
ndikatanga kuchema vakandirega ndakadaro kusvika
shungu dzangu dzapera ndikazozvibvisa pavari
ndega , ndikanombundira mhamha asi ivo havana
kundimbundirawo back ndikaziva kuti vaiva vachiri
vakatsamwira nyaya dzangu dzenhumbu

Dad vangu vakapfugama pasi nemabvi avo ese


vakabatanidza maoko avo vakati

"Mai 3 plizz mudzimai wangu sunungura moyo wako


undiregerewo , vanangu ndinokumbirawo
ruregerero nekukusiyai muchitambura I know its not
easy kukura kusvika pamuri musina baba asi nhasi
ndadzoka vanangu ngatichibatana tidzoke kuva
mhuri imwe chete"

Mhamha vakatura mafemo vakapukuta misodzi


vakati

" mwari wangu akakutonga Francis izvezvi life


yevana vangu yakaparara because of you Kiara na
Tiara ndakavaendesa kuUniversity asi havana
chavakanobura nekuti vaijairira ini munhu kadzi
unoti dai pano paiva nababa vaimboita matakanana
here avakaita , uyu Miara waunoona akarara
neShamwari yake nekuda kubhadharirwa University
unoti dai iwe baba vacho waivapo zvese izvozvo
zvaizoitika here "

Vakataura zvakawanda mhamha vachiburitsa


Shungu dzavo asi ini ndakatoona kuti nyaya
yenhumbu yangu mhamha vaiitora in a wrong way
vaifunga kuti ndakarara naGidza ndichiripa
kubhadharirwa kwandaiva ndaitwa naBaba vake for
my University

Mumba makamboita runyararo misodzi yangu


ikabuda yega ndichitarisa baba vangu vakapfugama
pasi ndikatarisa Tiara ndikaona achichemawo
ndikatarisa Kiara ndikaona achitotsengera mabhisvo
ake ayo aaiva atonovhura rimwe bepa
Mhamha vakazoti
"Jeso akaregerera vanhu vakamurovera
pamuchinjikwa ko ini ndini ani zvangu ndinoramba
ndakatsunga moyo , ndakuregererai baba 3 asi
takungogara tose tichisangana pavana zvichireva kuti
room raiva raMiara ndiyo ichava bhedurumu yangu
Mukanya "

Dad vakafara nesuwo vana vavo takabva


tavaregerera ndikabatsira naTiara kunobudisa
mabag aDad mumota tichirongedza muroom
yandaishandisa , chikafu chakazobikwa tikadya
tichitaura nyaya dzingiriwo general sevanhu vaiita
get together , ini ndikaudzawo tete nyaya yangu
yemunyai yandaiva ndatumwa vakafara vakandi
promiser kuti vachasara vachitaura naDad
vogogadzira list

Mhamha handina kumbowana nguva yekuti mwini


mwini navo , ivo vaitondi avoider zvandaiona ndega
,sezvineiwo zuva haritane kudoka kwaiva kwatova
kuma4
Ndakaisira Gidza massage kuti driver achiuya
kuzonditora haana kumbotora maminutes aiva
atosvika ndikabuda mumba naTete naMhamha
vachida kundisvitsa kumota tikasanganidzana
naKiara achirutsa ari mugarden uku akabata
mudumbu , tose takamhanyira paaiva tikamusiya
achipedza kurutsa akazosimuka mhamha vakamuti

"Ko chii warwara here"


Asati apindura tete vakati "baba vangu Soko iwe nhai
Mwari"

Takavatarisa yose ivo vakafugura dumbu raKiara


ndikaona ziline reblack rakati tsee kusviba
ndikadzungudza musoro , mhamha
vakazvikandidzira pasi vakabata musana vakati

"Nhai mwari ndakatadzeiko ini imwe zvee here


nhumbu pamba pano "

Kiara akaramba akangotuzuka tete vakati

"Mainini nhumbu ndeyani"

Akamboramba akanyarara akazoti "inofanira kunge


iri ya Dee tete"

Mhinduro yake yakandishamisa chero ivo tete


vakabva vamuti

"Inofanira kunge , kureva kuti hausi shuwa here "?

Iye akati "ndeya Dee tete asi akatoenda kuSouth


marimwe zuro "
Ndakangopererwawo ndikanzwa driver wangu
oridza hooter kugate ndikaoneka asi hapana
akandidavira vanhu vaiva vava confused

Ndakanosvika kumba ndikawana Gidza aita kuzadza


magrocery mumba akangondimhoresa ari low low
uku akagara akazembera pasofa akabata musoro ,
airatidza kuti ane zvaimunetsa asi iniwo semunhu
aitovawo nezvangu zvaindinetsa too handina
kumbodawo kuubvunza ndaingomirira andiudze ega
..
..............

*Stay tuned*

*end of chapter 47*

*chapter 48 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*
*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 48;fourty eight* 🔥


*Gidza*

Ndakati Choco achingobuda kuenda kumba kwavo


kwainzi kune Family reunion ndakasara ndikatora
mari ndaiva ndafunga kunoita shopping yegrocery
rekudya mumba nemukadzi wangu

Ndatopedza kugeza ndikapfeka simble ndipo


pandakanzwa nock kugate and munhu wacho
aitoratidza kuti ari kuita gate rekurova nedombo
nekuti noise yacho yanga yakanyanya

Ndakatobuda ndakabata makeys angu mumaoko


ndichiimbirira ndikasangana naPretty musikana
webasa wamother vekuseri achitoda kunovhura gate
ndikamuti

"Rega hako ndinoona kuti ndiani"

Ndakanovhura gate kudai ndichinosanganidzana


nechisionekwi mudzi webwe , Brenda aiva akamira
ne2 mamonarch ane umwe mukadzi waaiva
akafanana naye

Ndakaramba ndakamira pagate akada kundi pusher


kuti ndibve pagate iye apinde mukati ini ndikaramba
ndakamira iye akapaumba achiti
"What is wrong with you , excuse apa ndoda kupinda
mukati "

Ndakatoona kuti ndikaita zvekupusa apa ndini


ndinozopinda ma1 , Brenda drama rake ndaiziva and
vaizogarisana naChoco paisazobuda chakanaka
because obvious Brenda aizo winner Battle racho

"Uri kuda kupinda pai Brenda "

Mukadzi iyeye waiva naye akati apindira

"Iwe chikomana haikona kuda kutitambisira nguva


nezvinhu zvisina basa , wakamitisa mwana wangu
nhasi ndakuvigira nhumbu yako wava kuda kuramba
ramba zvenhema ibva apa tipinde uko "

Ndakatoona kuti mother vacho vaiva neginger


ndikati
"Look mother isu hatisi pakunetsana and
ndokumbirawo mutaurire pasi munganyaudza ma
neighbors angu"

Ndikati ndava tokonya vakachitanga kunditukirira


vakati
"Ndinotonyaudza chaizvo iwe ungati wapa mwana
wangu nhumbu wotoda kundifarisira manje
haundizive zvakanaka , waimboregerei kuvhara zipi
kana waiziva kuti haudi mwana hee chitotora
mukadzi wako unoti waiisa mubucket here"?

Vaitaura zvinyadzi mai vaBrenda iye mwana wacho


achivabatsira ndikavasiya vachipopota kusvika
vazoneta ndakangomira ndikati

"Handisi kuramba nhumbu Brenda but ngatidaiso


iwewe huya neMonday toonoita maDNA tests hanty
unoziva kuti even nhumbu inoitika futy maDNA ini
ndoda kungova shuwa kuti nhumbu ndeyangu here "

Ndakaona Brenda apusa asi mumiriri wake mai vake


vakati

"Kuzodzoka Monday kwei ndamboenda naye kupi


sara nemhuri yako mujaya "

Ndakava ignore ndikati kuna Brenda "zvandataura


wazvinzwa Brenda ibva pano with this mad woman
"
"Une shuwa Gidza kunditukira mai vangu here iwe
vako mai ndivo benzi rekutanga zigudo remunhu
mugodhoi , musile "

Ndakamunzwira hasha Brenda , dai kaiva kare kangu


ndaimukwatura nembama asi apa ndakatozvidzora
ndikashingirira kupinda mugate mangu ndisina kna
shoko randamupindura ndikavavharira panze ,
ndakatoona kuti kupopota vachindituka kwaiva kuri
kuda kuti ndivarove vagoenda kupolice sezvo
zvichinzi ukarova munhu ane nhumbu imhosva
hombe chaiyo

Vakamboramba varipo pagate vachirova rova uku


vachipopota vanenge vakazongoenda vega vaneta ,
ndakanzwa kutsva ndaisada kuti pawane
chinokanganisa relationship yangu naChoco , ndoti
ndri busy kunyengerera kuti ndidiwe then amwe
madrama obva asvika zvingabuda here

Ndakazobuda nemota kumasikati ndikanotenga


grocery remumba nemaice cream nemachocolates
macereviter maconflakes zvemukadzi wangu

Ndakaswera zuva rose ndingori low ndakagara


pamba , ndichingoti dai Brenda akasazodzoka futi
rimwe zuva Choco aripo , chandaida kuprotector I
marriage yangu chero zvayo yanga isati yava
kushanda paiva neka tension between us but
chandaiziva ndechekuti taizogadzirisana chete once
tichigara musame roof taizongoguma tajairana , and
ndaiva ndatoronga kuti Choco achingodzoka kubva
kumba kwavo ndomukumbira ruregerero pane zvose
zvanga zvamboitika kumashure uko then toita start
afresh

PJ akambondifonera achindiudza kuti aiva amboenda


kumine kwamudhara vake kuMashava tikambotaura
nyaya zvedu asi nyaya yaBrenda handina kumuudza
akazotanga dzake dzemusikanzwa hanzi naye

"Ko yaiva seiko honeymoon yenyu nezuro , kutaura


kwako wakaneta neta ndewemunhu arara
achichovha bhasikoro chete "

Ndakatomboseka ndikazomuti

"You can't believe zvandakaitirwa naChoco nezuro


iwe munhu kufuga blanket rake ega zvake haaa
wangu ndiri pama 1 ini imagine kurara wakarova
dollar sign apa munhu aripo pasame bed "

Takasekedzana paya PJ akazoti

"Yah mupe time she will come around , zvauriwe


usazo repper mwana "

"Ah wangu saka unoda ndife nenyota makumbo ari


mumvura here , "
PJ akati "wotoita weku seducer , kupfeka zvimini and
stuff"

Ndakaseka zvekurevesa ndikamuti


"Unorwara chete iwe ndinopfeka zvimini ndangova
mukadzi here ini"

Takazo dropper call ndikatombonzwa kurerukirwa


asi kudya handina kudya ndakaswerera chingwa
nemazai zvandaiva ndadya kuseni time dzakabuda
Choco achienda kumba kwavo

Akazondiisira massage ndikatumira futi driver


kunomutora ini ndaitonzwa kumusuwa asi mazuva
ose ndaisingoswera ndega pamba pangu but zvemusi
uyu ndakatoswera ndichinzwa kuti pane chakashota
kureva my better half Choco ndiye munhu
wandainzwa hana yangu ichirovera kutonzwa
kunakirwa naye ndaitoda kuti andiyemere but
munhu wacho yaisava type iyoyo seipapo
paakadzoka akangosvika akati "maswera sei"
ndikapindura ndipo pakaperera nyaya dzedu ,

Ini ndaiva ndakagara ndakazembera sofa maoko


akabata musoro iye aiva akagarawo pasofa
rekuopposite ari zii achiratidza kuti pfungwa dzake
dzaivawo kure , ndaiva ndakatomirirawo kuti
azondiudza kuti zvaiva zvanofamba sei kwaaiva
aenda kumba kwavo bvaa haana kana kutaura ini
ndakamusiya akadaro ndikanoisa rice pastove, rava
kuibva ndakamudeedza , zvekuisa dovi
ndaisazvigona saka ndakamuti aise hake dovi racho
and ini zvezvinhu zvine dovi yisava favourite yangu
plus moyo wangu waiva wakatosviba nenyaya
dzaBrenda saka ndakatotanga kunorara
ndichimusiya achizvikuvadza nerice rine dovi netea
isina mukaka hamenoo kuda mukaka waimurwarisa
zvevanhu vane nhumbu zvinotonetsa kunzwisisa ,

Ndakasvika mubedroom ndikazvikandira pabed


ndikafuga blanket rangu kana Simba rekugeza
ndakarishaya chero hembe dzangu ndakarara nadzo ,
Choco akazotevera kuma 7 anenge akamboona TV
ndikamunzwa achigeza mubathroom akazobuda
atopfeka night dress rake uku achinhuwirira mafuta
akangosvika akatora blanket rake nekufuga
akanyarara ndakamboda kumuti good night
ndikazosiyana nazvo mood yangu yaisandibvumira
zvose izvozvo

I was piercing and turning around hope dzichiramba


kubata uyuwo Choco ndaimunzwa achishanyarikawo
ari kwake sezvo bed racho raiva zihombe saka
taitorara takasiya zispace pakati, handitozive kuti
dzakazondiba nguvai hope asi ndakazomutswa
nevanhu vaitaura panze ndikatarisa pairara Choco
ndikaona asipo ndikavhura window ndikaona
achitsvaira chivanze akamonera Zambia mumusoro
ane hair bonet uku kumakumbo akapfeka matenes ,
ndakanyatsa kunzwa kumuyemura ndikagutsikana
ndega kuti uyu ndiye mukadzi wangu hakuna umwe

Paakadzoka mumba ndakamuti "good morning my


wife "
Akamboda kurova serious asi zvakamukurira
akaputika nekuseka ndikamuti

"Ndipindurewo xaa ndakatomirira answer yangu"

Akaramba ari zii zvake achiringedza magrocery ini


ndikaenda nekumashure kwake ndikanomira ndisina
kumugumha ndikati

"ko unondisungira Zambia hanzi ndadii xaa bvisa


Zambia iri usavharire zvinhu zvangu mukati ah , izvi
ndezvekusunga kana vatezvara varipo "

Akangoseka hake akaramba achiita zvaaita


ndikamumirira kapedza ndikabva ndamumbundira
nekumashure iye akavhunduka akamboda
kuzvibvisa pandiri but ndakaramba
ndakangomumbundira chete akasvika pakuneta
nekuita nharo akaguma adzikama arimo mumaoko
angu ndikamutaurira munzeve

" Choco "

" hummmm"

" xaaa I know we were not in good books I wronged


you in any way but I just wanted to say sorry please
forgive me and let's us start afresh "

Akaramba ari zii zvake kuita kunge muromo wake


wanamwa neglue
Kuvawo padhuze naye kwandaiva ndaita
kwakasimudza mafeelings angu nyama dzangu
dzikatanga kudavirana ndikamutenderedza
akanditarisa ndikamunama nekiss akambotanga
asinga respond akazoti apinda mugeer ndiye aiva
atova Shasha ndakatoona kuti nyama dzake
dzaitodawo nezvangu ndikamutakura kuenda naye
kubedroom ndikanomukurura ini ndichibvisawo
dzangu hembe faster faster , ndiri mubishi rekubvisa
trouser ndipo pakaringer fon yangu ndikamboda kui
ignore , ikaringer futi ndikanoitora kwakuona
ndiNatty ndikaridza tsamwa nekuti aiva
andikanganisa kusimbisa mwana wangu
ndakamudavira nditori nehasha

📞 Natty uri kudei usaite sekuti you don't know kuti I


just got married ndiri kumbodawo time nemukadzi
wangu pliz stop disturbing me

Iye akatanga kutaurira pasi achiti

📞unani its emergency ibva pane vanhu


Ndakangofamba ndikanopinda mubathroom
ndikatoona Choco achipfeka hembe dzake uku
maziso akatsvuka ndikamunzwira tsitsi mukadzi
wangu ndaifanira kumupa zvinhu zvake , ndaiva
ndatokangamwa kuti ndri pacall

📞wabva hre pane vanhu


kakadaro Natty ndikati
📞 ehe taura nyaya yako mhani unodhuva makuhwa
wo iwe

📞 Haasi makuhwa mukoma Gidza kuno hakuna


kumira fine Brenda is here nema monarch ake ari
kuti ane nhumbu yako and situation iripo Moms
naNelly vari kuratidza kumufarira atopinzwa
mumba asi Dady vari kuvava vachiti
ngaasatambirwa mumusha ipapa tete mai Cathy
vatofonerwa pakaipa kana zvichibvira svika kuno
now

ndakashaya mhinduro svinu ndikatsokota nzeve


dzangu ndichifunga kuti ndaiva ndatadza kunyatsa
kunzwa ndikamuti
📞heeee watii Natty
Iye akati
📞wazvinzwa zvandataura
Du du du du yakabva yakata , ndakanzwa kupera
mweya ndiri mubathroom muye ndikanzwa
kuzarirwa ndikanzwa makumbo kupera Simba ,
mubvunzo waiva pakuti Brenda aiva aziva sei pamba
pedu yah I was finished masports aiva azondiremera
zvino ,

Ndakageza fast fast ndikatora makey emota


ndikadarika nemudining ndikawana Choco akagarira
TV ndikamunyepera kuti Dady vaiva vati ndiuye pane
kwavaida kundituma , ndakarova mota ndakanga
kuBorrowdale ndikasvika ndikatowana Brenda
namai vake vakagara pamasofa uku vachizvikuvadza
nefruitmix salad chiona zvaiva zvakapfekwa zvacho
mai nemwana tuhembe tunosiya matumbu panze
netusiket tudiki diki , kna kumbokendenga kuti pana
Baba vangu , ndakanzwa kuzvinyarira ndikaona
mhamha vachisekerera vakati

"Hauchione apa wakazogona kusharudza wako


chaiye we level rinoenderana newe not that low class
girl " ..........

*Stay tuned*

*end of chapter 48*

*chapter 49 loading*
*Lily loves you all* ❤🥰
[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley* 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 49;fourty nine* 🔥

*_Narration_*

Brenda namai vake zvavaiva vadzingwa naGidza and


aramba kuti vapinde vakambofunga kuendesa nyaya
kumapurisa asi zvee vakazokasira kufunga kuti vana
Gidza vaiva vanhu vemari saka nyaya yacho vaigona
kui looser , Brenda semunhu ayi linker nevanhu
vakawanda wanda , hazvina kumunetsa kuti awane
address yekumba kwana Gidza, akatora fon yake
ofonera vamwe Professor vepa UZ avo vaaiva
akambodanana navo , Vaiitisa Accounting yaiitwa
naGidza akavakumbira madetails ese pamusoro
paGidza , vakambotanga varamba vachi tyira basa
ravo nekuti mutemo webasa ravo hauvabvumire,
Zvino Brenda akazovavimbisa kuti kana vachinge
vamupa iye aizosangana navo kulodge vobhadharana
zvavo, Professor Nyati vachinzwa izvi vakasekerera
vakatanga kunovhendeyura maFiles avo kwabva
vatora information yose yaGidza vachibva
vatosendera Brenda ipapo ipapo
Brenda akarova chikwee chekufarira uku achibaya
pakanzi block kuri kutoblocker number dzaMr Nyati
vaaiva ashandisa zvake achiziva kuti haana
mubhadharo waaizovapa

Brenda akaenda kumba kwavo namai vake


vakanorara varongedza mabag vachida kuita
zvekumukira kuBorrowdale ,
Vakatorara vataura nababa vepa next vaiita zveku
haiser matax ,Vakarara vatotsveta mamonarch 2 ose
aiva akazara netugwishu twehembe mumota yaBaba
vaya , vakazomuka makusen vakageza mai nemwana
vakapfeka tuhembe tusina maoko uku tuchisiya
dumbu panze ,Brenda akanyatsa kuisa makeup yake
kwakugogera masperk ake kumeso , vakapinda
mumota by 8 vaiva vatosvika paEntrance yekupinda
muBorrowdale , pakamboda kunetsa kupinda
paBoom gate asi pavakangotaura kuti tiri kuenda
paMr Nhongo vakabva vatonzi vapinde sezvo baba
vaGidza vaiva a well known business Man, Mota
yakasvika ikano parker panumber 4567 panova ipo
chaipo pamba pana Gidza bhero rakaridzwa , asi
pamba pana Gidza vakatanga kuchibvunzana kuti
"Where you expecting someone "
Vese vakati "noo"

Vakaenda pacamera vakaona pane mota pagedhi


pavo vakatumira guard kuti anoona kuti ndiani ,
Brenda akataura nyaya yake vakabva vavhurirwa
vakapinda ,vose vaiva vongoringa ringa mudenga
kuri kutarisa manakire aiva akaita pamusha apa
,wega waitoona kuti zvasiyana nekwavo
kuKambuzuma kuma high density uko, mai
vaBrenda vaingonyemwera sebenzi uku
vachinomhoresana nevabereki vaGidza

VaNhongo vakashaiwa pekutarisa nekusvoda


zvipfeko zvaiva zvakapfekwa nemadzimai maviri aya
, ivo vacho kana kumbonyara zvavo vakatonyatsa
kusvika vakati mwozho mwozho kugara
pamunyorododo wemasofa , baba vaGidza
vakagadzirisa pahuro pavo semuridzi wemusha
vakati

"Eh tokubatsirai nei nhai vana ambuya"

Mai vaBrenda vakañyatsa kugadzirisa pahuro pavo


vakati

" ndauyawo nemwanasikana wangu uyu ane


nhumbu yemwana weñyu Gilliady zvino takaenda
kumba kwake kuwaterfalls nezuro akasvikoti tandira
kunze kwegedhe , zvino sezvo imi murimi vabereki
vake ndatouya kuzomusiya pano mozoonawo
zvamungaite "

Natty akaigama uku Baba vake vasati vapindura


akati

" heeede mukwane Moms imi saka kana muridzi


wenhumbu akairamba matona zvichiita kuti muuye
musiye pano zimwana renyu kuti zviite sei ibvai
pano mazih....."

Asati apedza kutaura akadimburirwa mamai vake


vachiti
" putseke iwe Nyarara where are your Manners akuti
taura ndiani , eeh sorii zvenyu muroora pamba
ndepano hauna kurasika sunungukai zvanyu eeeh
Vimbai huya nesalad iya iri mufridge upe vaenzi "

Musikana wavo webasa ainzi Vimbai akamhanya


mhanya akavaisira fruit mix salad muma bowl ,
uyuwo Natty akabva aridza tsamwa akamhanya
muroom make onofonera mukoma vake ,
Nelly as always aiva kuside kwamai vake avawo Baba
vemusha vaivava vachiti hazviite kuti vatambire
umwe muroora kumusha sezvo Choco anga agara
aripo already asi mai vaGidza vaitoramba vachiti
muroora ngaagare , Baba vaGidza vakasimudza
runhare vofonera Vachihera ,hanzvadzi yavo tete mai
Cathy kuti vauye vazotonga nyaya .

Hapana kupera nguva Gidza akabva asvika uku


achiita kupupa nehàsha mai vacho vakada kutaura
zvavo zvekupenga Gidza akati

" mhamha munhu uyu handitombomude saka


musazvinyepere zvenyu or kupedza time yenyu
muchizvifadza nenhema muchifungira kuti
ndingazombofa ndakamuda , iwe Brenda ndochii
chauri kuita ichi usada kundinzwa wazvinzwa ibva
pano namai vako "

Akadaro Gidza achinzwa mazihasha aitoda kuendera


Brenda paaiva akagara kuti anomuzora magwati
kumeso akabva abatwa naNelly ,

Natty akati
" iwe Nelly uri kumubatireiko dai wasiya
rwakwapaidzwa runonyanya manyepo mhani "

Nelly akasimuka achida kurova Natty akabatwa


ruoko naGidza zvehasha chaizvo akanzi " murove
mwana iyeye uone zvandinokuita "

Nelly akagara pasi achiridza tsamwa , sezvineiwo tete


vakabva vasvika , vakabvunza nyaya yainetsa mai
VaBrenda vakàtanga kutaura ,Gidza akazopiwa
mukana akataurawo side rake rekuratidza kuti
aisatomboda nezvaBrenda nekuti akatotaura zvose
zvekuti aiva akambobata Brenda achirara naMr Hub
, zvino vaChihera vasati vatombopinda munyaya
yaiva vasvora mapfekero aiva akaitwa naBrenda
namai vake vakàtanga nekuti

" zvino imi amai kana mune njere shanu dzakakwana


munoti chero Jaya redu iri ranga richida zimhandara
renyu aizobvuma sei naiwo mapfekero enyu ekusiya
nyama panze iwaya , munoti Baba vemusha votarisa
pai zvimwe zvacho zvinoda kushandisa pfungwa
hamusi kutozvinyarisa hre ipapa "

Vakaramba vakatsikitsira vachinzwa kunyara Nelly


ndiye akazovaponesa nekuti

"Hii auntie machembera imi hapana chakamboipa


pàdressing iyo its fashion kani"

" iwe last time ndakakupromiser kukurova nhasi


chaiye handibve pano ndisina kukukwatura iwe ,
ndizvo zvinokupa kusaroorwa uchachemberera pano
vezera rako vava nezvana zvotoenda Kuchikoro iwe
uchingoti its fashion its fashion uri pano"
Vakadaro tete vachiratidza kugumbuka Natty
naGidza vakaseka uyuwo Nelly akatanga kupfikura

Mai Nelly vakarwadziwa nekutukirwa mhandara


yavo vakaita zvekusimuka kumira vakati

" Tete musataura zvisina Basa Nelly is only 26 years


haasati achembera mwana wangu plus aiita
zvechikoro musaona semi makaroorwa ne15 years
maita zvekumitiswa futi majairaka kunditonga
nehanzvadzi yenyu ndakanyarara but this time
maruza muroora wangu anopagara muchida
musingade"

Baba vaGidza natete vakabva varamwa vakati

" isu tabuda munyaya idzi kana mati agare


pakazowana zvinonetsa munopedza mega nyaya
dzenyu"

Gidza akati handibvume defeat kwabva ati kuna mai


vake

" hakuna zvakadaro munoti munogara naye pano


makamira saani imimi , muchengetei zvenyu asi
maDNA tests ndiw ari kuzoitwa muchida musingade
"

Nelly akapukuta tumosodzi twenhema akati


" I'm a Doctor ndogona kuswera ndaku prover kuti
mwana ndewako nekuti ma d.n.a tests acho ndogona
kumaita futi"

Gidza akaseka zvake akati

" maDNA tests achaitwa naDoc wandichatsvaga


online and achange achibva either South Africa or
Zambia ndiko kune maspeacialist anoziva zvaanoita ,
kwete imi ana Nelly i don't trust you"
Akataura kudaro akatobuda akananga kumba kwake
kwaiva asiya Choco mudiwa wemoyo wake , Brenda
akasara mudumbu muchikwata kuti ko kana maDNA
tests akazobudisa chokwadi aizoita sei akabva aruka
zano rekuti aizonyepera kurwara pese paitaurwa
zvemaDNA tests acho , mai Brenda vakazoswera
pamba pana Gidza vachizvinama havo nekudya
tunonaka uku vachipisa nyaya namai vaGidza
vakazooneka mazuva rovira vodzokera kwavo
kuKambuzuma

Brenda akazvitora pic akanyura musofa akasendera


Melliser uya waimbova friend yake akanyora pazasi
kuti

📲 melly waifunga kutiwakangwara ka uchinditorera


Alfred maleft overs angu manje ndini uyu ndiri
kuCaanan kwandri kudya uchi nemukaka ndiri
kumba kwaana Gidza uchafa me jealous gore rino

Melliser aiva atori pamarooro ake paakaona massage


yaBrenda zvakamubhowa akanzwa hasha , akafunga
kuno confronter Brenda achitaura chokwadi chese
and akabva atoisira Mr Hub massage achivaudza
kuti Brenda aiva azotizira kumwe nenhumbu yavo ,
Mr Hub rudo chairwo pana Brenda vaiva vasina asi
vaida kungomukaurisa semunhu aiva akachengeta
audio yaBrenda vakatenderana naMelliser kuti
vaizono confronter Brenda pamberi pemurume
wake
Problem yaivapo manje ndeyekuti Melly aiva busy
nezvemarooro ake uye aiva akatarisana nemuchato
plus vaisaziva chaîpo pamba pana Gidza asi Melliser
aiwirirana naPJ akabva atoziya kuti job done

Gidza ari muroad kudzokera kumba kwake


kuwaterfalls aironga nekurongonora asi akazofunga
kuti amhanyidzane nekunoroora Choco vobva
vachata kuitira kuti chero nyaya dzaBrenda
dzikazobuda asazorambiwa ,

Kiara akatorana navatete vake mai Stan vonoenda


pamba paigara Dee waaiti ndiye muridzi wenhumbu
vakakasvika vachiudzwa zvakavashamisa

" Dee akadzokera kwavo kuChimanimani anga


asingachashande kamota kaaifamba nako kakafa
saka akatosiya mubhedha nezvipoto achiti
zvovharana nerent iye akaenda kumusha kunotanga
zvake zvechikorokoza "

Vatete mai Stan vakatarisa Kiara uyo aiva otopfikura


misodzi vakati

" nhai mainini manga muchiti akati ava kuenda Joni


wani "?

Mai vaya vaiva muridzi wepamba vakati


" haa zvaDee here chero shamwari dzake chaidzo
akatodzinyepera kuti ndinoenda Joni asi isu chete
vepano tisu tinoziva chokwadi "

Vatete vakatakurana nemwana wehanzvadzi yavo


vakadzokera kumba vakasvika vakataura zvaivapo
mai 3 vakambovava asi vakazongozvitambira kuti
votochengeta mwana wavo nenhumbu yake ko
vaigotevera pai kuChimanimani kwacho ivo
vaisaziva address yekumba kwana Dee kwacho

*Stay tuned*

*end of chapter 49*

*chapter 50 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*
*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 50;fifty* 🔥

*Miara*
Ndakanzwa kubhowekana pakaringer fon yaGidza
apa ari pakati pekundi bata bata and Nyama dzangu
dzainyatsa kunzwa kuda nezvake zvese
zvekumuvenga zviye zvaiva zva dissappier , and
paakabuda achiti ndafonerwa kumba kwaita
emergency ndakasara ndichinzwa kusvotwa ,
ndakangozvikandidzira pasofa ndichinzwa kusvotwa
, ndakaita TV on ndikatanga kuona asi hapana
chainakidza ndikaidzima ndikamborara kwabva
ndazomutswa nenzara , ndakangonaka parice rangu
rine dovi randaiva ndasiya manheru ndikatanga
kudyira mupoto, ndipo pandakanzwa nock kudoor
ndikanovhura ndikaona vari mother vekuseri mai
Kisha vakatanga nekuseka vachiti

"Ah murimo zvenyu mumba mainini "

Ndakangovati" pindai "

Ivo vakati "haaa ndinombopinda here asikana imi


budai tigare paveranda pano tichitandara , nhasi ndri
paoff kaa ini "

Ndakangodzokera mukati ndikabuda ne2 machair


tikagara takatarisana tose takabata mafon edu
zvivana zvavo Kisha naKishel zvichitamba paveranda
ipapo , pakamboita kamoment of silence sevanhu
vaiva vasati vanyatsa kuzivana asi mai Kisha
vaisapererwa vakatanga nekuti
" ah mainini ndine huku kaa dzandiri kuchengeta
kuchikwere chekuseri uko dzasarirwa ne1 week kuti
dziite zvino ndatoti ndigare ndakuudzai sezvo
dzichiwandirwa mungazoona dzapera mukati
handina kukuudzai vasikana "

Takasekedzana paye tikatanga kutaura nyaya asi


ndakatoona kuti nyaya dzacho vaiwanza mibvunzo
kwandiri nekuti pane pavakatomboti

"Saka imi muno ita nezvei for a living mainini"

Ndikati " I just graduated this year so I'm looking for a


job"

Zvekuti ndine shop yehembe handina kuvaudza


zvangu ndakangorega semunhu uya aingofarira
kuzviraramira private life

Takataura zvakawanda ndipo pandakatozivawo kuti


ivo vaiva Prosecutor uya anoshanda na Judge
mucourt , vakandiudza futi kuti murume kwavo aiva
musoja uye aishandira kuBeihtbridge achiuya ka1
pa2 weeks .
Vakazoti futi , vakataura zvekuti vaiva nestand yavo
kuDZ kuGlaudina yavaitovaka vaitotarisira kuenda
kunogarako pamwedzi mishoma yaitevera iyo
"Kana musati mawana basa renyu ramakaendera
kuchikoro mainini tsvagai zvimwe zvekuita
muchivarairwa muri pamba kudai , ini ndino baker
macake futi kna muchida ndinokudzidzisai mowana
kuvarairwa"

Pavakangotaura kuti cake wakava muromo umwe


ndakatobvuma kuti vandidzidzise ndichida kuzopota
ndichibaker rangu rekuzvidyira sezvo mumuromo
mangu ndaingonzwa kuda zvinhu zvinotapira

"Saka makatonobvisirwa pfuma hre mainini"

Wakauya umwe mubvunzo kubva kuna mai Kisha


ndakavarairwa ndikashaya kuti zvabvepi ndikavati

"Kwete handisati"

Ivo vakati "ah nhai asikana ko muri kuregerei


kubvisirwa pfuma chinhu chakangonaka mubereki
anofara munomboziva plus mamarriage amazuvano
aya ukarega kubvisirwa unozogona kushamisika
murume anoroora girlfriend kutonobvisa mari
chaiko iwe uri kumba munhu ndewekutopa pressure
muroorwe vabereki vadye mari dzavo"

Takasekedzana paye vakazobva paverandah


vadeedzwa nemusikana wavo webasa vachinzi
chikafu chaiva chaita , ndikatakurawo machair
ndichidzosera mumba ndikanogara pasofa ndotanga
kufunga nyaya yekubvisirwa pfuma ndikadzungudza
musoro ndichishaya kuti Gidza ndaizomutanga sei
kwaiva kutomirira paaida iye kunondibvira ko hanty
mari yacho ndeyake plus semunhu andakatamba
naye kwenguva refu ndainyatsa kuziya kuti Gidza
haatombode zvekupiwa pressure ukamuitira dzungu
munonetsana .

Ndaiva ndava kunzwa nzara zvino ndikanocheka


polony ndikatanga kudya ndidzo nguva
dzakasvikawo murume wangu asi mood yake yaiva
low zvekuti ,
Ndakangomuti maswera cy iye akaramba
akanditarisa akati

"Maswera sei ani"?

Mubvunzo wake wakandiremera ndikati "imi ka"

Zvikanzi naye "saka hautogone kuti maswera sei


Dady here"
Ndikaramba ndri zii , akazoswedera padhuze neni
akatanga kutaurira munzeve nekazevezeve achiti

"Choco I love you"

Ndikaramba ndiri zii akadzokorora futi ndikaramba


ndakanyarara , umwe moyo waimuda asi ndainzwa
kuti ndaiva ndakamutsamwira nekundituka kwaaiva
akandiita paye day reafter party and iye anenge aka
reader pfungwa dzangu nekuti ndakaona akubata
chirebvu changu akati
" babe I know kuti everything zvaiitika nemistake
and hatina kumbobvira tadanana zvekupinda
mulove chaiyo but I know kuti waiva my best friend
obvious best friends love each other ndipewo
mukana ndikuratidze how much I love you, and I am
sorry nekumbokutuka kwandakaita ndakatozoona
kuti you are innocent please forgive me and allow me
to be your husband"

Ndakaramba ndakamutarisa ndikaona kurevesa


pameso pake handina mashoko akawanda
andakakwanisa kutaura moyo wangu
waitomurwarira Gidza zvekuti ndakatomuhuger
ndirini ndikamuti

"Ndakuregerera and I love you too"

Akaratidza kufara and miromo yangu yakabva


yabvutwa ipapo ipapo ndikanzwa ava kuita
kundisveta zvainakidza ndikatangawo kuresponder
ndikazotakurwa kuendeswa kubedroom
kwatakasvika tichisimbisa mwana wedu , tapedza
ndakanogeza hope dzichibva dzandishanyirawo
ndikazomutswa naHusband wangu achiti aiva
atopedza kubika tikadya over a light conversation
ndichimbopota ndichidyiswa aiva abika sadza nebeef
stew nemavergy paside manje ini mavergy yaisava
favourite yangu ndakamaramba iye akati

"Kamunhu kari mudumbu umu kanokara "


Ndkati "kakatidza Dad vacho"

Tikatanga kuwanzirana tichiseka ndakatoona kuti


taiva tadzokera pedu chaipo pakare tichiri
madzisahwira taiti tikasangana taitanga
kuwanzirana tichiseka

Gidza akazondibvunza zvekuti tete vaiva vati chii


nenyaya yemarooro , ndikanzwa kufara nekuti
murume wangu aitiratidzawo potential yekuda
kunondibvisira , ndakafonera tete vakati

📞
" List takatogadzira tangomirira munyai auye zvake
tironge madates acho "

Ndikaseka zvangu tete vangu vaiva vakachangamuka


pazvinhu zvacho ,

Vana Gidza vakazotumira munyai akanopiwa date ,


PJ akauya achibva kumine achifambira nyaya
dzekuzoperekedza sahwira wake kumarooro Gidza
aiva kugara ari busy palaptop pake dzimwe nguva
aingoti ndiri kutsvaga basa kana ukamubvunza and
aitoonekwa kuti aiva adzikira plus from the look of
his face zvaisada kuudzwa kuti uyu munhu ane zviri
kuunetsa , Natty ndiye aiva ava kuuya achiswera neni
and aitofambira nyaya dzema Java ataizopfeka
pamarooro , Ndakafonera Dad vangu ndichida kuti
vazivise vanin'ina vangu vana Shanel naShenon
ndaida kuti vavepowo pazuva guru rangu , Natty
naPJ vaimira mira kusvika zvose zvarongeka

Day before marooro angu ndipo pandakanosiiwa


kumba kwedu nadriver , Gidza aisada zvekuti
ndidrive hanzi for our baby's safety

Ndakasvika pamba Dad vangu varipo natete mai Stan


nemunin'ina waDad namhamha vaiva vakagara
mudinig vachitaura nyaya ndikavakwazisawo
ndikanopinda mukitchen ndikafara ndichiona mbuya
mai Ellah mukadzi wasekuru vangu ava tainzwanana
manje ndakatotanga nekuvadenha ndichiti

"Ko mauya mega sekuru vangu vari kupi"

Vakaseka zvavo vachiti

"Wakundijairira kaa nekuti mudumbu mune


kamunhu umo , sekuru vako vakabatwa nebasa wena
vanga vachida kuuya kumboidya mari yeMbinga
iyoyo yatinongonzwa natete vako vachizvikuza kuti
mwana wehanzvadzi yangu akaroorwa neMhene "

Takasekedzana naambuya vangu paye ,


Kiara naTiara vaivamo kana kundimhoresa ini
ndikati ndezvavo izvo kwabva ndava ignore
ndikatanga kungobatsira batsira kubika mukitchen
imomo , ndakatoona kuti vasikana vaiva vabatwa ne
jealous chairo ,uyu Kiara aiva ane mazipundu
kumeso kuda ndiyo nhumbu iyoyo yaimushatisa
nekuti aiva atichinja chako

Zuva rakadoka vanhu vakaparadzana vachienda


kunorara tete vakati
"Uyu ndotorara naye muno mudining ndichimuraira
"
Vaibvira ini asi
mhamha vakabva vati

"Aewa tete regai ndinorara naye veduwee ndoda


kumbowanawo nguva nemwana wangu"

Ndakanorara naMhamha mubedroom mavo , Dad


vakarara nabamunini muroom yandaimboshandisa
Tete vakarara naGogo mai Ellah mune imwe room
yevaenzi

Mubedroom mamhamha yaitova first time kurara


navo , takatanga tanamata tikazorara ndakatanga
nekungoti
"Sorii mhamha"

Ivo vakatoseka zvavo vakati "ndakakuregerera


mwanangu ndiko kukura zvee vasikana"
Vakazotanga kundirairawo maviri matatu tikaitana
magood night tikarara ,

"Eeh chimukai mugeze mai nhanha vanhu vedeco


vatouya uye makeup therapist wako atosvika
nacamera man wacho"

Ndigogo mai Ellah vaidaro ini ndaitonzwa hope


zvangu ndikati

"Pano pari kuitwa zvedeco ndiani abhadhara mari


yacho"

"Haa takangobatsirana zvee tanzwa kuti mbinga


tikati hazvizode kunyadzisa vasikana , asi we makeup
newe camera hatisisu hedu zvedu I deco necatering "

Ndakamuka ndikamhanya kunogeza Kiara naTiara


vakanzi vagezewo vauye tiiswe makeup
nekupfekedzwa maJava , Dad vaiva vatumira Driver
kunotora Shanel naShenon avo vakazosvika tikafara
kuzivana twaiva twakangwarisa tuvanhu twacho ,
vakapfekawo zvavo zvavaiva vasoneserwa zvaiva
zvisina kunyatsa kuvafiter sezvo taingosonesa pasina
mameasurements avo

Vakakwasha vakazosvika fuction ikatanga ini ziso


raingova pamurume wangu aiva akachena
zvekurevesa suit yeRoyal blue yaaiva nayo yaiva
yakamugara zvekuti , uyuwo PJ cut yake aiva nayo
mumusoro asi aiva aisa dye yeblack asisina kutinter
Blondy

Baba vaGidza naVaSahwira vavo baba vaPJ vaivapo


,neumwe muzukuru wavo naNatty akauyawo akati
handisari

Mari dzese dzaingotaurwa vakwasha vaibvisa pasina


kuchema chema kusvika vapedza roora rese kuti
tsvai , pamombe vaingobvisa iri mari wanike vatete
vangu havachagone nekupururudza chikafu
chakauya vanhu vakadya , vakwasha vaidyira
muroom mavo isu tichudyirawo medu takambowana
mukana Zvikanzi nagogo mai Ellah

"Idzi ndidzo dzinonzi Nyasha kaa idzi wakainyurura


pai Mhene iyi nhai Miara " ndakangoseka hangu

Vakwasha vakapedza kudya vakazotumira munyai


akasvika achipfugama akati

"Vana Baba vakwasha vandituma hanzi


tinokumbirawo muchato"

Hana yangu ikaita kurova nemufaro and vana Baba


havana kuramba , date remuchato rakabva ratoiswa
pa1 week yaitevera , wakava Mufaro wega wega
Tikazoenda kumapics Cameraman akaita basa rake
amwe mapic ndaitorwa ndakatakurwa ,
Shanel naShenon zvairwusanawo nekutora maselfy
pane amwe avakatorwa vana babamukuru vavo
zvichiratidza kuwirirana

Gidza akazokumbira kundiona sezvo ndaiva ndanzi


ndinosara kumba kwedu ndozongoenda kumurume
after muchato
Ndakaenda pamota paaiva ndikanomira akati
"ngatipende mumota"
Ndikapinda paye dai kaiva kare kangu ndaigona
kumuti taura zvauri kuda tiri pano panze

Akabva ati " finally ndazokuita Chocolate yangu


yandinosvisvina pandadira"
Ndakaseka ndikati

"Ah iwe ndizvo zvawandideedzera here"?

Iye akazorova serious akati "baby kukuroora kudai it


means ndiwe wandinoda , now ndikukumbirawo
undi promise kuti chero pakazomuka zvimwe
zvingauya kumberi baby hauzondirambe "

Ndakatoshaya kuti zvii zvingauye kumberi


ndikangofungira kuti kuda aireva zvenyaya yekuti
Mai vake vaisandufarira ndikaona isiri reason yekuti
ndingasiya murume wangu ndikabva ndamuti

"I promise you my love" ............


*Stay tuned*

*end of chapter 50*

*chapter 51 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_Vanoda book from 1 pindai mugrup kuInbox
musazvinetse zvenyu handipindure_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 51;fifty* 🔥

*Narration*

Brenda akagara pamba pana Gidza achinzwa


kusununguka nemabatirwe aaiitwa navamwene vake
, akaona papera week Gidza asina kuuya naDoctor
kuti azoita maDNA tests iye akatofunga kuti ndiko
kwaiva kutogamuchirwa kwake mumusha izvo
chaasina kuziva ndechekuti Gidza aiva atowana
Doctor Musolister vaibva kuSouth Africa asi
chaimumisa kuti avaudze vauye aida kutanga apedza
nyaya dzemarooro aizoda kuti maDNA aitwe pakati
apa vakamirira date remuchato wake naChoco .
Brenda hapana chaaibata semuroora chero plate
chaiyo yaadyira aisiya ipapo izvo zvipfeko zvacho
aisambotarisa kuti vatezvara varipo chake kwaiva
kugeza ozvipushira face powder nemazi lipstick
kumeso onogara pasofa achiona TV navamwene vake
naNelly,
Natty zvese zvaiva mumaziso aingoona zvake
achisekera mumoyo uku ari busy kubatsirana naPJ
kuronga zvinhu zvekumarooro aGidza naMiara,
Gidza aiva ane mari shoma yaaingo budgeter manje
yaiva isingakwane kunorooresa mukadzi asi Baba
vake vakamuwedzera mari zvose neyekuti muchato
uitwe yaibva pama servings ababa vake ,
Gidza akazoudza PJ nyaya yaBrenda and kubva musi
waaiva abva kumba kwavo day rakauya Brenda
haana kuzombodzokerako mai vake naNelly ndivo
vaimbomuisirawo mamassage vachipopota kuti sei
asiri kuuya kuzoona mukadzi wake iye achingova
ignore zvake

Melliser akazopedza zvemarooro ake zvose


nemuchato wake , akachitanga kufonera PJ
achimubvunza adress yekumba kwana Gidza, PJ
akabvunza Melliser kuti aidii address yacho Melliser
akabva audza PJ nyaya yose vakabva vatenderana
kuti day before muchato waGidza naMiara ndipo
paizouya Doctor aiita maDNA then Melliser naMr
Hub vobva vabudikira votaura chokwadi chese

Mai vana Miara nemurume wavo vakanzwa kufara


vachiona mari yaiva vabviswa nevakwasha vavo ,
kana vari saVatete mai Stan vainzwa kuda
kubhururuka vaingoti vakati gare gare vopururudza
nekudzana dzana , Miara ainzwawo Mufaro mumoyo
make achiona vabereki vake vachinzwa kufara naye ,
Gogo mai Ellah ndivo vaiitawo senge
vachamugadzika pamakumbo Miara,
Mai vake vakasvika pakuti
"Haiwa wandifadza mwanangu kana zvadai ndotiwo
Mwari ava kupindura munamato yangu "

Gogo mai Ellah vakatsigirawo vachiti

"Idzi ndidzo Nyasha zvee idzi ,Miara you have paved


a way for your sisters , Tiara , Shanel and Shenon ,
newewo Kiara usazozvitambise uchiti zvawapiwa
mwana , kna uri umwe zvichengete unozowanawo
anokuda nemwana wako "

Kiara nezudumbu rake ainzwa godo chairo munhu


wese achingoti Miara this ,Miara that iye hapana aiva
achimbomupawo attention zvose zvaitaurwa
aisambozviisa mupfungwa ainzwa kusvotwa ndipo
paakatora fon yake ombo tryer number dzaDee
mukomana wake wekumupa nhumbu sezvineiwo
yakabva yaringer iye ndokubuda panze , yakaringer
isina anodavira akaramba achi tryer ikazodavirwa
kechi 5

📞helloe ko ndiani
Akadaro Dee nezovoice rake raiita seremunhu abva
kumwa masese , Kiara akanzwa kusvotwa
nemubvunzo akati

📞 Seriously Dee unoreva kuti watondikangamwa or


wanga wato deleter number dzangu , saka
wakandinyepera kaa kuti uri kuenda kuSouth Africa

Dee akanzwa riri voice raKiara akavhunduka


aishaiwa answer svinu chaiyo yaangamupa sezvo
aiva asina kuSouth kwaaiva akaenda , zvinhu zvaiva
zvaoma kuHarare aka dicider kudzokera hake kwavo
kuchimanimani kunoita zvechikorokoza
zvaaingogara achiita kare kose , zvino aiva
atotengesa phone yake yewhatsapp achida kuona
kutenga kagrocery kekusvika akabata kumusha ,
mufon imomo ndimo makasara macontacts
akawanda kusanganisira yaKiara , Mukomana
akatanga kunoshanda kumakomba akazowana mari
shoma iyo yaakakwanisa
kuzotenga kambudzi akaisa line rake

📞 eh Kikie baby its a long stori mudiwa unoziva kuti


ndinokuda pane yaingoitika ghetto so
ndakatongobuda zve emergency ndisina kuwana
mukana weku explainer , ndiri kumusha
kuchimanimani baby

Kiara akaridza tsamwa akati


📞 Baby baby kudii kana iwe waindida chaikutadzisa
kundifonera chii ,anyway ndanga ndichitoda
kukuudza kuti ndine nhumbu yako

Dee aiva munhu ane udzenga hake asi rudo pana


Kiara aiva narwo and hazvina kumbomushamisa kuti
Kiara aiva nenhumbu yake nekuti vairara vose
pasina kna protection mukomana airamba kudyira
sweet mupepa

📞 huya mudiwa kumurume wako tsvaga mari yebus


uuye kuchimanimani tigarisane baby

Akadaro Dee kuna Kiara pafon Kiara akaridza


tsamwa achiti

📞 unondishurira Dee saka type yangu ino unondiona


sekuti ndri type yekugara kumusha here ini siyana
neni kana wava kuda mwana wako unototanga
watsvaga mari wouya wobvisa pfuma then
ndozobvuma kugara newe

Akabva akata fon yake akadzokera mumba maiva


nevamwe vaakawanika vava kutodya vachingotaura
nyaya dzekurumbidza kurongeka kwevakwasha
Tiara ainzwawo chibhonzo pahuro chakamugara ,
aiva ava kudanawo neumwe mukomana ainzi
Tawanda , aiva asina basa rinoshamisira hake aiita
basa rekurima mapotatoes kuFarm revabereki vake
raiva kuInyanga achitengesa , NaTiara vaiva
vangosanganawo pamashops pakamunhu
vakachinjana number

Zvino Tiara jealous rakamukurira achiona umwe


wake abvisirwa mazizakwatira emari akatorawo
foni yake akaisira Tawanda wake massage achiti

📲nhai darling what are your plans for us


Mukomana akaverenga massage akangopindura kuti

📲What do you mean


Musikana akanzwa kusvotwa akati

📲 I mean relationship yedu iri kumboendepi


📲ko wasangana nayo kupi?
Ndizvo zvakapindurwa naTawanda , Tiara akanzwa
kuzarirwa nehasha chero chikafu chaaidya akabva
anzwa kuguta akageza maoko ake akabuda akananga
kuroom kwake
📲 I mean uchandiroora riini
Akasenda massage Tiara
Tawanda aiva asati ava nemaplans ekuroora sezvo
Aida kutanga atenga stand ovaka imba inoti yake
then ozounganidza mari yekunoroora mukadzi

📲 ah baby zviri kubva kupi izvozvo ini handisati


ndava nemaplans acho zvamanje manje

Akapindura kudaro Tawanda , Tiara akatoona kuti


tsoro iyi akaita zvekupusa haai winner saka akabva
aronga plan yekutizira mukomana wake , asi aida
kuzviita after muchato wana Miara
Vana Shenon naShanel vaiva vasingachatode
kudzokera kuna mai vavo asi vaida kunogara naMai
3 avo vaingovabata sevana vavo , mai Brenda
vakafona vachipopotera baba 3 ndiko kuzodzokera
kwakaita vana Shenon naShanel and vakatosvika
vakashurwa namai vavo vachinzi "zvaguma nhasi
hamuna kwamuchaenda " kureva kuti chero
kumuchato vaiva vatorambidzwa

Mazuva akafamba vanhu vari busy kugadzirira


zvemuchato , venue yaiva yatobhadharwa kare
naBaba VaGidza kuHarare Gardens , vasikana
vemasteps vaizoperekedza muchato vakaita veku
hire nekuti Kiara aiva aramba kuperekedza muchato
achipa reason nekuti nhumbu yake yaisada kumira
nguva refu , Tiara ndiye aiva best girl chero hazvo
vaiva vasingawirirane naMiara wacho , iye Miara
wacho aiva asina best friend yatingati yaikwanisa
kuzoitwa best girl , ukuwo kuvakomana PJ ndiye aiva
bestman vamwe vakomana vaiperekedza akaita
vekuhire madancers futi.
Miara ndiye akanzi acha chooser color yaaida kuti ive
dress code pamuchato wacho iye aka chooser Royal
blue sezvo iriyo yaiva favourite color yake

Day before muchato Doctor vaya vemaDNA vaka flyer


neflight ya6 kubva kuSouth Africa , uyuwo PJ aiva
atoronga kunotora Meliser naMr Hub , Natty ndiye
aifanira kunotora mai vaBrenda vaifanira kunge
varipo vachionawo mabasa emwana wavo

Mai vaGidza vaiva vaudzwa nyaya yekumuchato


vaifanirwa kunge varipo sezvo varivo mai vemunhu
asi vakanyatsa kusekera svoto vakati

" eh mava kundida manje pamuchato wenyu ko


pamaindundurudzana muchienda kunoroora
hamuna kundiudza wani siyanai neni handina
kwandinoenda itai muchato wenyu "

Umwe moyo waida kunge varipowo kunge varipo


pamuchato wemwana komana wavo asi pride ndiyo
yaiva kurira vaida kutanga vaitwa
zvekunyengererwa, Nelly aingohakirawo chake
kwaingova kutevedzera zvinenge zvataurwa namai
Brenda akamuka zvake akatanga ageza sazuva ose
kwabva azoenda kukitchen kunotsvaga something to
eat sezvo nhumbu yake yaigara ichinzwa kuda
kungodya , akasvika maid ava kutogadzira breakfast
akabva angonovhura fridge akatora zipolony
zihombe akariisa muplate kwabva atanga
kuzviponda zvake mwana sikana

Natty aingoona zvake akabva arova chikwee zvikanzi


naBrenda

"Asi pane chiri kusekesa kani "

Natty haana kupindura zvake aiziva paaizoda


kumubatira ,
Hapana kupera nguva Gidza akabva asvika ana
Doctor avo vaitova neEquipment ravo rebasa , mai
vaBrenda vaiva vatotumirwawo driver kuenda
kunovatora vakafunga kuti kuda kwaiva kudanirwa
zvitsvene vakasiya vaganzira vavakidzani vavo kuti
"regai ndimboenda kwandadeedzwa naSevere wangu
kuda kwaita mafizhongo"

Mai vana Gidza vaiva murima hapana chavaiziva, asi


Baba vacho naNatty ndivo vaiziva nyaya yose, Nelly
namai vake vakatovhundukawo vachiona Gidza
achipinda neumwe murume wavasina kuziva ,
hapana kupera 5 minutes mai Brenda vakabva
vapindawo vanhu vachiri muconfusion Gidza akabva
atanga nema Introduction

"Eeh pamusoroi mose muri pano ava ndi Doctor


Mulilo vanoshandira kuSouth Africa asi he is a
Zimbabwean vanobva zvavo kuBuawayo and he also
speak Shona "

Vanhu vakamhoresana naDoctor vaya Gidza


akazoendera mberi achiti

" Brenda Doctor ndauya navo for maDNA tests "

Brenda aiva akagara pasofa aka relaxer hana yake


yakatanga kurova achishaiwa plan akabva atanga
kusunga face zvenhema achimonya muromo wake
vanhu vaiva vangoisa maziso paari achiita madrama
ake Natty akazoti

" hey Miss Brenda don't waste our precious time


wazotanga kurwara riini munhu anga achipaza
zipolony manje manje apo "

Brenda akatoona kuti hazvishande kwabva adzikana


Doctor vakatanga kuita basa ravo maresults akabuda
ipapo ipapo achiratidza kuti Gidza sandiye muridzi
weMwana mai vaGidza vakanzwa kushatirwa vakati
"Saka iwe Brenda nguva yose iyi waitoziva hako kuti
nhumbu haisi yemwana wangu uchiita basa rekudya
chikafu changu mahara pano "

Mai vaBrenda vaivawo vaHandinzarwo vakati

"Eeeh eeeh siyanai nemwana wangu chikafu chine


Basa rei chinongono itiwa tsvina mutoilet umo , imi
hamuone kuti iplan hre kadoctor aka katengwa aka
kuti kati mwana haasi waGidza musatanyoko wenyu
muri varoyi mhuri yese majaira manje kana
michifunga kuti mwana wangu ndiri kudzokera naye
iwe Brenda uri kuzosara pano"

Vakadaro mai Brenda ,asi mai Gidza vasati vapindura


padoor pakaita nock Melliser name Hub vachibva
vapinda PJ ari kumashure

Brenda akabatwa nekutya akatoziva kuti pake paiva


pamuperera akangonzwa kudziya mumakumbo
make akazvitarisa kudai aone aiva atadza kuvhara
mavulv ake wet yaiva yoyerera nemakumbo .....

*Stay tuned*

*end of chapter 51*


*chapter 52 loading*

*Lily loves you all* ❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*

💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley* 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 52;fifty two* 🔥


*Semi-final*

*Gidza*

Ndainyatsa kunzwa kufara musi wemarooro ndaiva


ndonyatsa kuziva kuti Choco waiva ava wangu
forever and ndaiva ndanyatsa kumirira zuva
rekunyadzisa muvengi wangu Brenda ndaida
kumunyadzisa pamberi paMai vake vainyanya
kupaparika zvaindibhowa

Kurongedzera muchato kwakambondiremera asi


zvaizondiitira easy because mari yaivapo , Dad vangu
vaiva vatobhadhara venue kuHarare Gardens asi
yaiva surprise yaChoco nekuti ndaiva ndisina
kumbomuudza venue yedu , takazoti zvose zvapera
zvekugadzirira muchato ndakachitanga kufambira
nyaya dzaBrenda , PJ naNatty ndivo vaitova mberi
kufarira kuti Brenda anyadziswe kudarika ini

Doctor vakauya tikaenda kumba kwedu


kuBorrowdale uko kwatakanosvika vanhu
vakavarairwa ,Brenda akamboda kuita madrama ake
ekunyepera kurwara zvenhema asi akaona pasina
aimupa attention akazvidzikamira ega
Handina kumbovhunduka kana kunzwa kurwadziwa
maresults paakabuda achitaura kuti mwana haasi
wangu because zvagara zvaingova obvious ndaiva
ndatova sure mushure mekunge Melliser azotaurawo
zvaaiziva nezvaanzwa naBrenda plus Mr Hub vaiva
ne audio yake Brenda achinyatsa kutaura kuti
nhumbu yaiva isiri yangu asi chaaingoda
kundichengetesa Mwana chete

Ndakaona mai vangu vashama muromo


zvekushamisika ndikaona Nelly achidzungudza
musoro zviye zvekupererwa , mai vangu vakati
vatanga kumunongerera Brenda ndakamboda kuseka
ndichiona kuti mai vangu vaiva vasina divi , nenguva
diki diki vaiva vatopandukira Brenda vava
kumutukira chikafu chavo chaaidya ,
Mai vaBrenda vaitoda kudefender Mwana wavo kani
vakatanga kundi accuser kuti ndaiva ndatenga
Doctor handina kuvapindura ndaida vazozvipindura
vega, panguva iyoyo ndipo pakabva papinda Mr Hub
naMelliser uyuwo PJ ari kumashure , Mr Hub
vakasunda zidumbu ravo vachinogara pasame Sofa
naDad vangu ,Melliser akadziurirwa pekugara
naNatty iye Natty akanotora 2 machair mukitchen,
imwe yacho akaipa PJ sezvo masofa ese aiva akazara ,
pakamboita a moment of silence uyuwo Brenda
dikita raiita kuyerera achitadza kugarisika zvino
ndakaona Natty ava kumupa kamucheka
kekupukutisa dikita ndikasekera mumoyo zvangu
ndichiziva kuti rwaisava rudo but yaiva nzira
yekusvotesa ,

"abva atadza kuvhara mavulv musikana oooh ava


kubudisa mvura please show her to the toilet "

Akadaro Natty in a funny voice tose takabva taisa


maziso kuna Brenda tikaona wet ichiyerera
nemakumbo , ini ndakanzwa kuda kubvaruka
nekuseka asi sepanhu paiva nevanhu vakuru
ndakangizvi shingisa ndikasunga setswa dzangu asi
Nelly naPJ vakabvaruka nekuseka ndikaona Meliser
naDoctor vachisekawo , iye Brenda maziso aiva
atsvuka kuti piriviri uku body yake yose ichi shaker
ndakazogadzirisa pahuro pangu ndikati

"Eh pamusoroi baba namai ,ava vamunoona


vakagara apa vanonzi Mr Hub vane nyaya dzavo
naBrenda uye uyu ari apa anonzi Meliser ndiye aiva
SAHWIRA mukuru waBrenda saka vose vane
mashoko maviri matatu avanoda kungotaura totanga
nemi Mr Hub "

Mr Hub vakabva vakosorera zviye zvekugadzira


pahuro vakachitanga kutaura vachidinongodza every
picy of the story and hapana chavakasiya ndikaona
mai vaBrenda vatsikitsira pasi kuri kushaya
pekunyarira worse pakazo playiwa audio yecall iya
yaiva yarecodwa naMr Hub zvakawedzera nyadzi
pameso paBrenda namai vake ,

Meliser wake mukana weutaura wakati wasvika


akatanga nekuti

"You were a nice friend to me all these years Brenda


asi patakangokonana ndipapa pakushaya moyo ,
shuwa ungada kuchengetesa munhu mwana asiri
wake ini ndine proof yema massage ari pano
aakambondisendera Brenda uyu achitaura kuti
nhumbu yake akatoibata pamadays aaiva
akarambana naGidza uyu "

Nelly akashama muromo wake zvekushamisika


pakazoti pobuda dzimwe nyaya dzana Alfred
vataisaziva , maBoyfriends ake ose akataurwa
chokwadi chose chikawaridzwa pachena , PJ akati
handingasarirewo akatobva ataurawo zvakandi
shocker , ndakabata musoro wangu ndichinzwa kuti
Brenda aiva akambodanana naPJ sahwira wangu and
ndakazozvibatanidza ndega ndikaona kuti that's why
vaviri ava vaisawirirana Brenda ainditi "usatambe
naPJ " uyuwo PJ achiti "sahwira Brenda is not a good
girlfriend for you"
Ini zvaingindinetsa kuti sei vaiva vakavengana
kudaro izvo ndaigizivei kuti vaitova maEx

Brenda akatanga kupfikura mai vangu vakati vavava


kunge mhiripiri "usapfikure nhema macrocodile
tears uri muparadzi Brenda kuda kunenedzera
mwana wangu nhumbu isiri yake , kurumidza enda
unotora hubag hwako ubve pano namai vako uri
mhandu yemunhu and usiye wakorobha maziwet ako
awajuja mumba mangu nxiiii " vairatidza hasha mai
vangu ini nechemumoyo ndaingoseka zvangu
ndichiti "maororwa munonyanya kukambira
nevanhu vamusingazive matrue colors avo
munongoti ngavagare pano "

Melliser naMr Hub vakabva vaoneka ndikavatenda


chose nekundibudisa munyatwa kwavaiva vaita
otherwise Brenda chaitova chiwekwe chaicho mulife
mangu ,Melliser aiva akamirirwa naAlfred wake
pagedhe nemota yerudzi rweFortuner , rudo rwavo
rwaingoratidza kuti zvose zviri kuendeka , Doctor
ndakavabhadhara mari yavo vakaoneka vakabuda
vakaendawo uyu Brenda akatadza kana kusimuka
paaiva akagara kuti anotora mabag ake kuda
zvakamuremera sezvo aiva atota newet plus nyadzi
dzaimukunda asi inini naNatty naPJ tikati regai
timubatsire takanovhura mubedroom maiva mangu
ndimo maaishandisa shasha yaiva yatorongedza
hembe dzayo muwardrobe mangu tikapinda busy
kudzitutunura tichidziloader muma monarch ake
tikadzika nawo downstairs tichipusher tikasvika
tichitsveta pamberi pamai vacho avo vaingonon'ona
sofa kuita senge vacharidambura idzo dziri nyadzi
dzaivakurira

Mai vacho vakasimuka vasina zvavataura uyuwo


Brenda akasimuka iyo misodzi nemadzihwa
zvichiyerera akanditarisa akati
"Gidza I'm sorry "

Ndikamuti "ndakakuregerera kare Brendah "

Ndakatoona kuti kwaiva kuda kuzama kuti


ndimunzwire tsitsi akatanga kufamba achitevera mai
vake apa aiita zvekukweva makumbo ,vasati vabuda
padoor Natty akaerekana adeedzera kuti

"Please wait "

Vese vakabva vamira ini ndaitifunga kuti kuda pane


zvaiva vakangamwa , Natty aiva wemaDrama
chokwadi akabva abudisa Invitation card
rekumuchato wangu akafamba achinomira pamberi
paBrenda akamutambidza achiti

"Miss Brenda and your Mom we are inviting you to


my brother and his beloved wife's wedding , if you
are interested we you tomorrow at Harare Gardens"
Brenda akangotambira card riye misodzi ichiyerera
akabva abuda namai vake vachikwesvaira kunge
harahwa dzemuIsaralites dziri kubudiswa muEgypt
naMoses

Pakabuda Brenda namai vake mai vangu vakasara


vakaita ziheavy breath vainzwa kushaya pekutangira
asi vakatanga nekutarisa Dad vakati
"Mhofu ndinokumbirawo mundiregerere nekuenda
mberi kwenyu kwandakaita , shuwa handizive kuti
ndaiva ndapindwa nei kuti ndingohakirawo
matakanana abva pano aya , "

Dad vangu vaisava munhu ane moyo mukukutu


vakabva vatoti "its oky apology accepted"

Mhamha vakanditarisa vakati

"My son I'm sorry nekupindira munyaya dzisinei neni


dai nsakangiteerera pawaiti nhumbu haisi yako dai
tisina kumbosvika kwese uku , please forgive me"

Ndakatoona kuti paiva pasina need yekuramba


ndakatsamwira mai vangu ndikasimuka
ndikanovapa hug , Nelly akakumbirawo ruregerero
to everyone akatsiurwa ipapo ipapo naNatty kuti

"Vana Nelly murege kungoita sebepa rinongitevera


kwaenda mhepo waitsigira Brenda unomuzivurepi
iwe "

Nelly zvekujairirwa aisazvida vakatotanga


kushaudhana vakazonyararidzwa naMhamha avo
vaitaura naNatty vachironga kuti vaizopfekei
mangwana pamuchato wangu naChoco , zvino
mwanasikana wavo raiva benzi Natty wacho akabva
avati
"I thought you said you are not going wani mhamha "

Ivo nekunyara vakamuti

"Haputseki iwe ndati tora fon yangu ndoda kuorder a


speacial dress for my Son's wedding"

Vairatidza kuti vakanonokerwa mai vangu , Nelly


akabva atotanga kugadzirawo zvekuratidza kuti aiva
ava kudawo kuenda kumuchato since aiva arambawo
kuri kungotevedzera mhamha ,

Ini naPJ takazobuda tichienda kuFinal meeting


yekufinalizer zvekumuchato wedu , and takasiya
hama dzinobva kure dzava kutotanga kuuya kumba
kuBorrowdale kuzorariko

PJ aisagona kani nemufaro vanomuona vaiti kuda


ndiye ari kunochata akazotanga kundiwanzira achiti

"Hoohoodoo my guy paya panonzi may you kiss the


Bride unyatse kubvisa bhatye rako wonyatsa kutora
time kudya mwana muromo pamberi paAtezvara"

Nyaya dzaPJ dzaingova dzekutungana kwembudzi


handina kuzomuteerera ndaiva ndofunga munhu
wangu ndikatora fon yangu ndiamuisira txt massage
yekuti
📲i mic you
Iye akapindura kuti

📲 me too I cant wait to see you tomorrow


Ini ndikamuti

📲 are you ready


Iye akapindura kuti

📲 I'm more than ready but I'm nervous

📲dont wur babe , I will be on your side


Ndizvo zvandakamupindura and iye wacho haana
kuzopindurawo , ndikabva ndakanda fon pasi
ndikanzwa PJ atanga tunyaya twake tusina Basa

"Wakufungei , honeymoon here "?


Ndakatoseka zvangu ndichirangarira kuti ndaiva
ndaka booker Issolet Hotel inova best Hotel iri
muSouth Africa for our honeymoon and yaiva
surprise yaChoco nekuti ndaiva ndisina kumuudza
Vakomana vaizotamba masteps vakauya kurarira
kumba takangovapawo room yavo ini naPJ tikarara
medu tiri 2 kungoti hama dzaiva dzauya dzakawanda
saka marooms aiva akazara nevanhu otherwise
ndaisada zvekurara musame room naPJ nekutaurisa
kwake , ndakangonyepera kufuga musoro ndichiita
kunge ndabatwa nehope PJ ndikamunzwa oti

"Yah rara hope zvako uzorore mangwana manheru


unenge uri pabasa rekusimbisa mwana uri kuJoza
uko"

Ndakada kuseka asi ndakazvi controller ndichiziva


kuti ndikangoseka chete aizotaura zvimwe
aisapererwa mujaya wacho , ndaiita kunonokerwa
nezuva remangwana mumoyo ndaingotaura ndega
kuti

"I can't wait kuti ndikupfekedze ring muruoko Choco


uve wangu forever"

Ndakazotoita kubiwa nehope hamenoo kuti nguvai ,


ndaiva ndanzwa neku imaginer zvaizoitika the
following day
....

*Stay tuned*
*Final chapter loading*

*See you in our next book called* _LOVE AND


CONFUSION_
please don't miss it🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥
*Lily loves you all*❤🥰
[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_for comments join this group_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍
*Liliosa Chiwara*
💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
💐💐💐💐💐 💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 53;fifty three* 🔥


*BONUS CHAPTER*

*Miara*

Ndaimbopota ndichizvirova kambama ndichifunga


kuti ndiri kuhope , pamwe pacho zvaindikurira and I
found myself smiling alone , and I couldn't hold the
happiness ndaingozvobvunza kuti "ndini here Miara
ndakatarisana nemuchato, uri kuunganirwa nehama
kudai "

Mai vangu vaiva vasingagoni kani vaiita kushaya


pekubata nemufaro ,
"Mirai zvenyu vachandiona pamuchato ipapo
ndinenge ndichidzana nekupururudza "

Vakadaro tete Mai Stan vachisekerera zvikanzi naDad


vangu
"Zvino nekusimba ikoko munogoneiko nhai vatete asi
kungodhanaira zvenyu pamberi pevanhu"

Vanhu vose vaiva mudining vakaseka kusanganisira


naKiara uyo ainanzvira maoko achipedzisa kudya
mabiscuits ane cream aaiva atengerwa naDad
mushure mekunge avanetsa kuti vamutengere
nhumbu yake yaiyema hamenoo pamwe kwaiva
kuzviitisa hake

Mhamha vakati " ini muchandiguta zvekuti manje


manje ndava kutoda kuita mbuya vevazukuru 2
ndichambozvikandira kure uko ndotamba
pamuchato weMwana wangu "

"Yuwii yuwiiiii munoda kutishoresa nevakwasha


kuzonzi makaona here matambire aiita mai vacho
zvinongoratidza kuti kumhuri kwavo havazive
zvemuchato pamwe ndiwo waitova wekutanga
family yose "

Vakadaro Gogo mai Ellah vanhu vakaputika nekuseka


munhu wese aiva muhappy mood kusara kwaTiara
uyo aingovawo tsinin'ini pafon pake , akanzi naGogo
mai Ellah
" uyu Tiara anenge ari kutotaura nechake chimufess
manje manje tinodya zvee mari mirai muone minana
inoitwa naMwari "

Iye akangosekera zvake akabva adzokera pafon pake ,


hamenoo waaitaura naye pafon ipapo

Ini naGidza taiva tisingachabvumidzwe kuonana ,asi


deep in my heart ndaitonzwa kumusuwa zvisingaite
pa1 week iyoyo yataiva takamirira zuva remuchato
wedu .Natty ndiye akauya neumwe musikana waaiti
makeup therapist ndikatariswa skin yangu
ndikapiwa amwe mafuta andainzi ndinozora
mangwanani masikati nemanheru aiita kuti skin
itsetseke and ndainyatsa kuona kuti ndri kuglower ,
Tiara wekuda zvinhu akatombondikumbira akanzi
naTete

" iwe dzidza kudzikamisa moyo wako iwe ah mafuta


aya ndeemunhu ari kuchata , iwe chingizvidzikamira
wotsvaga munhu wako anokuroora wotochatawo "
Tiara akaratidza kubatikana nazvo asi vatete vangu
ndaivadira kuti vaiva mafira kureva vaitsiurira
munhu ipapo ipapo

Day before muchato takataura pafon naGidza and


ndaitonzwa kumusuwa murume wangu and iye
aitoratidza kuti andisuwawo , Vasikana vedancing
group squad vakauya vakazorarira kumba vakapiwa
room yavo ndakarwadziwa ndichinzwa kunzi Shanel
naShenon vaiva varambidzwa namai vavo kuuya ,
kana Dad vaitoonekwa kushushikana paface pavo
ndikavasimbisa ndichiti
" don't wur Dad remember I'm a lawyer very soon
ndiri kuzvigadzirisa vana vane kodzero
dzekuchooser wavanoda kugara naye between both
parents "

Ini ndakarara mune imwe room naTete vangu


naGogo mai Ellah , Sekuru baba Ellah vaiva
vazosvikawo kubva KuSouth Africa and from the look
of his face zvaisada kuudzwa kuti asekuru vangu vari
kufara

Ndaiva ndava kuda kutorara zvangu hope zvikanzi


naGogo mai Ellah

" ah wakuda kutanga kurara usina kugeza kuti zvadii


mukadzi wanhasi anorara asina kugeza hee , chero
zvidii munhu ane murume ndewekuti ava kunorara
wotora kabucket kako wonoti kapu kapu , kurumidza
enda unogeza nhasi tine malessons "

Ndaitonzwa nungo dzekugeza kwacho asi


vakandimanikidza kusvikira ndazongotora bucket
ndikanogeza kwacho ndikadzoka ndichiwana
vakandimirira vakabata tuhembe twandakanzi pfeka
ndikàmboda kuramba but vanhu vacho zvenharo
ndizvo zvavaida , Gogo vakakurura dress ravaiva
vakapfeka vakasara neskin tight neka braa vakatanga
kuzunza chiuno ini ndikanzi tevedzera
ndikambotanga ndichitoseka ndikazoona aika vanhu
yaiva serious tete vakati
" munhu kadzi ndewe kuvawo flexible mubedroom
haikona kungoita sedanda kudai kudai uchofadzana
nemurume wako kana yava nguva yekufadzana
zvenyadzi wombokanda kure tevedzera zvandiri
kuita tione "

Ndaingotevedzera idzo setswa dzichindikurira


ndakazoti ndaneta zvino Gogo mai Ellah vakati

" chikamu chepamubhedha tapedza , ooh idzi hembe


ndiwo anonzi ma lingeries ekupfekera baba
mubhedhuru zviye chero muri pamba penyu ari
masikati muri mega zviya pfeka idzodzi dzinokwezva
baba zvidya zvichisara panze izvi "

Ndakangotambira hembe dziya ndakanyarara


ndikadziisa mukabeg kangu nechemumoyo
ndaingoseka ndichiti mukadzi wasekuru vangu ane
musikanzwa , ndakakoniwa kurara ndichingo
imaginer zvaizoitika the following day , imwe stress
yaiva yekuti ko mai vaGidza vaizobvuma here kuuya
kumuchato sezvo vaisandifarira ,
ndakangozozvirasira kure uko ndikangoti Jesu ndiye
mufudzi

Ndakamutswa kuma 5 ndichigeza ,vasikana


vemasteps vaiva vatogeza kudhara musikana
wemakeup naCamera man vakabva vasvika kuma6,
ndakaitwa makeup yangu ndikapedzwa , Tiara
akatevera akaiswawo , Kiara akaramba kuiswa
makeup hanzi nhumbu yangu haide zvekuzorwa
zorwa , vasikana vemasteps vakazoiswa makeup
dzavo ndisati ndapfekedzwa gown mhamha vakauya
necoffie nema buns eproton andaifarira , I was so
nervous zvekuti hana yangu yairamba kudzikama ,
chikafu chacho chairamba kudzika zvekuti
ndakatongodyira kushinga tete vakatanga
kundiwanzira hanzi "kana kuti touya nerice rine dovi
"
Vanhu vose vakaseka kuma 8 takanzwa mota kuridza
hooter kugate zvikanzi natete mota yemuchati
yasvika handei tione , ndakasimuka neGown rangu
raiva netail yakareba iyo yaiva yakabatwa ne1 of
vaperekedzi, pese pataifamba cameraman aiva busy
kutora mapics and videos ,ndakaita kuvhunduka
pandabuda Panze ndichiwana paka parker mota
yerudzi rweLimo , ndenge ndakanyatsa kuti oh my
God , ndakafamba zvinyoro nyoro ndichinogara
paseat reBride then squad yangu ichiita ichigara
pamaseats ekuma sides , mota yakadriver ini
ndaisaziva venue sezvo zvainzi its a surprise and
ndakanzwa kuita kunge ndichanyungudika
ndichiona tichisvika paHarare Gardens
ndakangonyemwerera zvangu sezvo face yangu yaiva
yakavharwa neveil

"Wow Harare Gardens oh my Gosh"

Akadaro umwe wevaperekedzi achiratidza kunzwa


kufara

Vana Dad vakazosvikawo ndikaona vakaita


kuroverera new suit yeRoyal Blue yaiva yakavagara,
mhamha vari mudress ravo reRoyal blue vaiva
vakafitwa kani vabereki vangu zvekuti ndega
ndakaita kungogutsurira musoro ,
Ndakaona mota dzakazara panze dzaiva dzine
maBaloom kuratidza kuti vana Gidza vaiva vatosvika
kare , ndaiva ndisisina kugarisika Gogo mai Ellah
vakanditi" Relax "
Ndikaita kufemera padenga masong ema steps
akatanga kurira vaperekedzi vakapinda , MC
akadeedzera kuti welcome our Groom pakatanga
kuridzwa soft music Gidza naPJ vachipinda , ini
ndaiva ndichiri panze pehall ndakamira hangu
naBaba vangu ndakabata chisumbu chngu
chemaruva Tiara ari paside

Pakazonzi Bride ngaachipinda mhururu dzakatanga


kutsva iwo mazambia achiwaridzwa tainyatsa
kufamba softly ndakabatwa ruoko naDad
vangu , that was a special moment of my life
ndainzwa kuti I'm the woman of the moment munhu
wese aiva akapa inini Attention , takazosvika pared
carpet ndanzwa nekutorwa mapics macameramen
aiva akazara kani achiita basa rawo

Dad vangu vakasvika vakamira neni kumberi vanhu


vachingopururudza chete kana vari saTete vangu
vaisagona kani vaingodeedzera "mwana
wehanzvadzi yangu iyeye"

MC aiva Junior Gringo ndakanzwa manyukunyuku


nekuti ndiye MC aipisa zvemazuva acho akati
" eeh regai ndimbosiira nguva kuna Pastor vedu
vatiinavo pano "
Ndakanzwa kuda kuseka ndichiona munhu wacho
ari Pastor Takaz , Pastor ava aiva mukomana
wechidiki aiva nembiri mazuva iwayo achibuda
nemuma TV and ndakangoziva kuti mabasa aPJ
iwaya
Dad vakazosiya vandipa kuna Gidza vakataura
mashoko mashoma vakanogara pasi isu tikasara
takabatana maoko

Nguva yema vows yakasvika paya panonzi umwe


neumwe ngaataurewo mashiko ake kumudiwa wake
Gidza akatara zviri soft achiti

" Miara ndiwe mudiwa wemoyo wangu ini


ndinokuvimbisa kuti handizokusiye , " akamboita
kakunyarara akazoti

" muchidimbu ndingangoti I Love you till death do us


apart " vanhu vakaombera ini ndaiva ndotoda
kuchema ndikazotaura zvangu asi hapana zvisvinu
zvandakambotaura , Pastor Takax vakatiitisa mavows
tichipekedzana marings vakabva vati

" yah yasvika zvino nguva yandinofarira , vanhu


muriko hre uko "

Vanhu vakaita ruzha vachiridza mhururu nemiridzo


Kwabva vati DJ chimborova madancers
chimbopindai mumboti turu mukomana achikoka
Simba rekukisser munhu wake

Music yakaridzwa madancers acho aiva


maprofessional kani ini ndaiva ndichinzwa kunyara
kukiswa pamberi pevabereki ndisingazozive iye
Gidza wacho nekuti music payakangopera
zvakazonzi naPastor

" may you kiss the Bride "


PJ akauya kuzobvisa Gidza Bhachi vangu
vachipururudza kwabva vachonjomara vose
vakatarisa kwaiva kwakagara vana Dad vangu
vachiombera zvaiva funny zvekuti dai ndaisava ini
ndaida kukiswa ndaibvaruka nekuseka manje
situation yacho yaisandibvumidza , akazoswedera
pandiri akavhura veil yangu akandinama neKiss
yakandishamisa kuita kunge ndiyo yaiva first time
yangu kukiswa "
Vanhu vakaombera vakatanga kubvisa mari hanzi
Dzokorodzai asi takazoita lucky PJ akabvisa 500 US
akati
" ndoda kumbotamba neBride mose endai munogara
pasi"
Ndiko kuzopera kwakaita nyaya yekiss , music
ikaridzwa ini zvekutamba zvaisava zvangu
ndaingozunungukawo plus ziGown racho
raitondiremerawo zvaro

Zvakazopera tikabuda tichinochinja paye tikadzoka


kuzogara paHigh Table , hama dzikapa speech ,
ndikabva ndatarisa pakanzi vabereki vane vana
varoorana simukai mumbotambira vana venyu
muchimhoresana
Ndipo pandakatoona kuti mai vaGidza vaivapo
ndikanzwa moyo wangu kusunguka , time
yemapictures yakakwana tikaenda Gidza ruoko
rwangu aiva asingachade kurwusiya kani takatorwa
mapictures tikapedza patakazodzokera muHall
tikawana food yatosavewa paHigh table tikadya paye
, tichingopedza MC akati

"Ino yava nguva yezvipo , asi musati mauya nezvipo


let's us take this Moment timboti hama dzevachati
huyai mumbotamba apa muchionekana nevana ava
nekuti vatomirirwa neFlight yavo kuti vaende
kuHoneymoon kwavo"

Ndakatarisa Gidza ndichinzwa kushamisika zuva


rose rakaswera ringori rema surprise chete chete ,
pakaridzwa yaFreeman yekuti {uchinge wachata
vekwako wavapembedza }
watete vaGidza vakasimuka pavaiva vakagara
vakanobata tete vangu maoko vakatanga
kuzungunuzika vachitamba nhema ndakaseka
zvangu ndikatoona kuti chembere mbiri idzi
zvekutamba zvaisava zvadzo asi vaiva nechipo
chekutaura , Natty akasimukawo neshamwari dzake
akatanga kutamba zvaienderana uku vakapfeka
zvakafanana mai vacho vachiita kupururudza
zvainakidza kani , Ndakatozoita zvekuzungunutswa
naGidza zvichinzi
"Hey handei babe wakunakidzwa kaa natete vako
vanopenga avo " kwaibvirwa natty aiita kuzvizunza
zunza ichiita semunhu ari kutamba jiti
Takanobuda muHall tikawana takamirirwa nemota
yaiva nemaBaloom mhamha naGogo mai Ellah
takatowana vavapo panze tikambundirana
tichionekana , gogo vakaita kazevezeve "usazorega
kupfeka zvandakakuudza ndazvirongedza
muMonarch rako riri mumota umo"

Ndakada kuvabvunza kuti saka manga muchiziva


henyu kuti kune honeymoon asi kana
kumbondiudzawo, asi ndakashaiswa mukana
ndakuuya kutorwa nemaUsher kuendeswa kumota
umo mandakawana Gidza atovamo kudhara

PJ akadongorera nepaWindow akati

"Chiendai munonakirana ini ndava kusara


ndichipedzisa muchato ndichichata naTiara "
Takangoseka tichimuwaver nekuti mota yaiva
yatosimuka yakananga kwandaisaziva
ndakazongoona tava paAir port , hana yangu
yakaramba kugadzikana zvachose muromo wangu
ukaoma ndikaunanzva zvekushingirira , Gidza
akazviona kuti ndaiva ndisina kugadzikana and iye
aitizvizivawo kuti it was my first time kukwira ndege
, mabags edu akatakurwa nesecurity achinoiswa
mundege ini naGidza tikatevera aiva akandibata
ruoko zvine simba iri way yekuti culm down ,
takanokwira mundege tikanogara zvedu , in 1 hour
time taiva tamhara ndikanzwa kunyevenuka
ndichiona pakanzi Welcome to South Africa , maziso
angu ndaitadza kumacontroler ndaiva ndingotarisa
tarisa ndichiona kunaka kwenzvimbo iyi
"Hi Boss"

Pakasvika umwe murume achizvityora pamberi


paGidza ndikatonboda kuseka kuti Gidza ainzi Boss
kuti anoshandepi , takazotevera murume uye
tikanopinda mumota akati driver ini ndaitonzwa

🤣
hope zvangu semunhu akanonoka kurara achiitiswa
malessons

Ndaiva ndava kuita ndichikotsira ndiri mumaoko


aGidza aiva akaita kundimbundira

Ndakazongoona mota yamira tikadzika Gidza


akandibata ruoko ndikatarisa ndikaona pakanzi
Welcome to Issolet Hotel , ndikavhura maziso zviye
zvekushamisika masurprises acho aiva awandisa
kani , Issolet Hotel ndaingoita yekunzwawo
nekuiverenga mumabook nhasi ndiniwo Miara
ndaisa gumbo rangu

Takanopinda mukati tikanopiwa makeys masecurity


aiva akatitakurira mabags edu achitevera kumashure
, takanovhura room yacho yaiva yakanaka kani yaiva
insuit ine bedroom side nedining side then kitchen
side

Ndakatanga nekunogeza pasina chandabata Gidza


akauyawo mubathroom kuzogeza neni ndainzwa
kunyara asi ndakazorangarira mashoko atete vangu
ndikarasira nyadzi kure uko ndikatogeza naye
tikatangirira mubathroom imomo tikazoguma
tatakurana kuenda mubedroom pamubhedha ndikati
ndashandwa neniwo ndikati zvandakadzidziswa
naTete vangu ndakamunzwa obowa nekunakirwa
mwana wevaridzi , chikafu takavigirwa tikadya
ndaingoti tikati gare gare ndoudzwa kunzi

" I love yu my Chocolate"

Zvaiita kunakidza apa takagara kuSouth kwe 1week


tichisimbisa mwana hwedu zvedu week rose ,
tikazodzokera kuZim nendege tikawana takamirirwa
naTete vangu naPJ , tete vakati

" apa tava kutonanga kwavamwene kunotamba


chiroora sunga Zambia nedhuku izvi tione "
Ndakasunga paya ivo vakazoti

"Makanonakidzwa kaa kuJoni , isu takazosara


tikasurikirwa chose umwe wako Tiara wakatizira asi
haana kana pamuviri zvinonzi vabereki
vemukomana wacho havatodi nyaya dzacho dziri
kutonetsa" ...........

*Stay tuned*

*end of Bonus chapter*


*final chapter loading*

🔥🔥🔥
*Don't miss our next book called LOVE and
CONFUSION*

*Lily loves you all*❤🥰


[3/10, 12:35] pppppppppp:
https://chat.whatsapp.com/EqDlYIcgr7E0KyOfNlFZcB
*_Vari kuda book from 1 pindai umo ndimo
mandichakanda book rose kuinbox musazvinetse
zvenyu handikwanise_*

*THE TRIPLETS*

*Miara*

*Tiara*

*Kiara*

*Written by* 📝✍

💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐
*Liliosa Chiwara*
💐💐💐💐💐
Aka *Lilies of the valley*💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐💐

*0789906143*

*for whatsapp 🪀 and calls📞*

*CHAPTER 54;fifty four* 🔥


*FINAL CHAPTER*

*NARRATION*

Brenda namai vake zvavakabva pamba pana Gidza


mai vaBrenda vaiita kupupira nehasha vakananga
kumacomby vachifambisa uyuwo Brenda aiva onyara
newet yaainhuwa yaaiva azviitira achiri kumba
kwana Gidza , akada kutaura namai vake akati

"Mom dai taita zvecab "

Mai vake vakamucheukira vachiti


"Unoti dai taita zvecab une mari yacho yekuhire here
"?

Brenda aiva asisina kana cent , kumba kwaana Gidza


aingogara achidya asi haana kna zuva rimwe chete
raakapiwa chero $ zvaro , vakazonopinda mucomby
Brenda akatanga kutizwa nevanhu paseat raaiva
akagara conductor akamuti abhadhare maseat aiva
atizwa nevanhu nekuti ndiye ainhuwa wet.
Vakasvika kumba pasina aitaura neumwe , uyu
Brenda ainzwa kuda kuchema achishaya kuti
otangira papi nelife

"Ko iwe ndicho chii chandanonzwa uko heee ende


unonyadzisa Brenda uri munhu rudzii asingagute
varume "
Brenda agara aiva nepamuromo akatanga
kupindurana namai vake vachishaudhana ,
"Manje ini ndinokudzinga pano imba ino inoti ini
yandakavakirwa nababa vana Shanel "vakadaro mai
Brenda ,
"Muchindidzinga pano makamira saani tangai
mandiudza kuna baba vangu imi ndimi pfambi
makandihura naBoss venyu kuSouth kwamaishanda
uko mukazodzoka mava nenhumbu , ndakazviudzwa
naGogo mai venyu "

"Une shuwa kundiudza upfambi Brenda iwe "

"Ehe muri hur* remunhu iyezvi makaramba murume


muchiita basa rekudanana nezitruck driver riye
rinosiuya pano munoti vana 2 ava vanodzidzei "

Mai Brenda vakanzwa hasha vakasimuka


vachinokwapura Brenda zimbama iye akati
makajaidzwa akasimukawo achinovamhara neboots
mudumbu vakatanga kurovana and ndihwo hwakava
upenyu hwepamusha apa zvinova zvaishungurudza
Shanel naShenon zvekuti vakasvika pakuzofonera
baba vavo vachichemera kuti vauye vavatore ,
Brenda akazozama kutsvaga Mr Hub asi
zvaakaudzwa zvakamugura kunorira
📞 "Unonditsvaga unodei siyana neni pfambi
yomunhu ndichauya kuzotora mwana wangu kana
wazvara " fon yakabva yakatwa Brenda akatanga
kuungudza kuchema achishaiwa pekubata akazama
kufonera Melliser asi she was unreachable because
aiva atoenda kunogara KuSouth Africa nemurume
wake Alfred

Vana Miara zvavakabva paAirport vakananga kumba


kwana Gidza vakasvika kune welcome party hama
dzose dzakazara vanhu vachifara ,Brenda akabva
afunga day reparty yaGidza akangosekerera zvake
paakasimudza musoro akawana umwe wake akamira
pamberi pake akamuringa vakatarisana kwenguva
refu maziso avo akazara rudo , vakazonzwa munhu
aigadzirisa pahuro vakacheuka vose kwakuwana
ndiNatty kakatobata a glass of wine kachifamba
kachiuya pavaiva
Akasvika akagara pachair yaiva padhuze naChoco
akati
"Ndine nyaya yandiri kuda kutaurawo but I hope
muchandiregererawo guys "
Vana Choco naGidza vakashaya kuti yaiva yei
vakamuti ataure iye akambotanga nekugadzirisa
pahuro zvenhema kuri kutoshaya pekutangira,
akazongorovera moyo kudombo akataura chokwadi
chose chekuti ndiye aiva aronga naPJ kuti vavaisire
madrug vago nocker , aitarisa kuti vachatsamwa asi
Gidza akatoseka zvake akati
"Une dzungu hako asi apa wakagona ,
wakatobatsirawo ini mukoma vako nekuti
zvekupfimba zvaitondinetsa one night stand
yakashanda otherwise ndaimu looser Choco wangu
uyu"
Akapedzisa kutaura ava kutopuruzira mukadzi wake
kumusana

After party Choco natete vake vakangoita 2 days


vachitamba chiroora, zvaingova zvemutemo nekuti
hapana mabasa akawanda avaimboita , Mai vaGidza
vakazokumbira ruregerero kumuroora wavo vose
naNelly , iye Nelly aiva azowana mukomana aiva ava
kutofambidzana naPastor Takax vaya vaiva
vasangana kumuchato wana Gidza naChoco saka
ndipo paaka kumbirwa number dzefon
Gidza naChoco vakapiwa mapresents avo
epamuchato and aiva akawanda paiva nemota 2
neStand yaiva yabviswa naBaba vake yekuMalbrough
, then midziyo yemumba ndiyo imwe yaiva
yakawanda

Vakazodzokera kumba kwavo kuWaterfalls


vakanowanikawo mai Kisha muroja wavo ava kuda
kutotama achienda kunogara kuStand kwake
kuRuwa kwaWalker kwavaiva vatopedza kuvaka
Vakaonekana zvakanaka and izvi zvakabetserawo
pakuti Choco aiva ava kugara mufull house zvino ,
Mazuva aifamba dumbu rake richikura and
rakazosvika pakurembera zvekuti aiva ava
kungogara mumba ,Gidza aiva asati atsvaga basa aiva
akamirira kuti mukadzi wake azvare iye ozotsvaga
basa zvake pese apa aimboda nguva nemudzimai
wake .

Baba 3 namai 3 vakazotaurirana vakadzokerana


zvavo , uyuwo Miara akazofambira nyaya dzekuti
Shanel naShenon vatorwe vauye kuzogara pamba
vachichengetwa namai 3 , mai Brenda vakasara
vachirwadziwa asi zvekuita paiva pasina sezvo
zvichinzi vana vane kodzero dzekusarudza mubereki
wavanoda kugara naye , plus nyaya dzacho dzaiva
dzazopindira maLawyer ivo mai Brenda vaiva vasina
kna cent rekutenga Lawyer vaitoita mapeace job kuti
vawane mari yekutenga chikafu uku preparation
yaBrenda yaidiwa futi .

Miara akazonosungirwa achinosiiwa kumba kwavo


kuna mai vake

Kiara aingivapowo pamba achingosundawo rake


dumbu risina muridzi , zvino vaiva vopesana
semabus pamba ipapo

Tiara kuside kwake zvaiva zvakaoma kubva musi


waatizira wacho Tawanda mukomana wake haana
kumbobvira afara nazvo chero vabereki vake havana
kumufarira vakabva vatoti kuna Tawanda "kuroora
zvinoreva kuti wakura chienda unoroja "

Tawanda naTiara vakanotsvaga ka1 Room


kuDamafalls ndiko kwavaiva vava kugara uyu
Tawanda achingoita zvake zvekurima , mari
yaaitengesa mapotatoes ake aisauya nayo kumba
achipa mukadzi zvinoita vamwe varume aingotenga
chikafu chete, zvino mwedzi yaiva yafamba iye Tiara
dumbu ringori flat asina kana nhumbu , Tawanda
ndipo paakachitanga kusadzoka kumba dzimwe
nguva chero aripo aifuga blanket rake oga uku
achibaya baya fon yake , Tiara nepamuromo aitanga
kupopota achiti

"Tawanda kana usingachandide ndidzorere kumba


kwedu wanzwa wakarara kupi manheru hee"

"Iwe usandinyaudze ndoda kurara wakauya wega


kumba kwedu saka chingodzokera sekuuya
kwawakaita handina kunokutora kumba kwenyu ini ,
dai uchizvara better zvino uri kungoita basa rekudya
nekuenda kutoilet mahara"

Tiara ainzwa kurwadziwa ombosvika imwe nguva


yekuti aidemba kumba kwamai vake

Zidumbu raMiara raiva razokura zvino apa nhumbu


yaiva yava mu9 months chaimo , Gidza aipota
achiuya kwaAmbuya vake achizoona mudzimai wake
achimuvigira zvimaChocolates , apa pese paaiuya
aiuya booty rakaita kuti maku kuzara neGrocery ,
Natty aiva azotanga University level yake paUZ ,
aigara kuchikoro sezvo mai vake vakaramba zvekuti
aende achidzoka zvaaisiita achiri kusecondary,
Nelly aiva asingachade kudzokera kuSouth Africa
sezvo aiva awana mudiwa wemoyo wake muZim
saka aiva ava kufunga kuvhura sergary yake
pachezvake achizvishandira

Miara akati akarara mubedroom mamai vake atori


masikati akabva anzwa kuda rice rine dovi akamuka
zvake akananga kukitchsn achida kunoribika ,
akatanga kunzwa a sharp pain muzasi meguvhu umu
akakandira kapoto kaaiva akabata kure uko akatanga
kuscreamer akabata dumbu rake , vanhu vaiva
mudining vakapinda muya vachimhanya wanike
Mwana ava mu labour pain , vakamhanya mhanya
kumuenda kuprivate Hospital vachibva vafonera
vekumba kwaana Gidza vachivaudza , Gidza
akatadza kugarisika akatora mota omhanyira
kuchipatara ikoko mai vake vakati handisari , vanhu
vese vaiva vaita kunonokerwa sezvo vaiva vasina
kumboita scan vaida surprise zvavo

Vakasvika kuchipatara mwana achingoyuwira chete ,


akanoiswa mulabour room

"Push push"!!
Manurse aiva ava kuita basa rawo, uyu Miara tsinga
dzati tare tare achigomera ndipo paakabudisa
mwana wake akanzwa kurerukirwa kachichema asi
hapana kupera 5 minutes akanzwa chimwe chinhu
chaida kubuda futy akadeedzera Nurse vakamhanya
kupfeka maGloves avo zvechimbi chimbi vachibva
vagamuchira mwana wechi 2 .

Vana Mai vaGidza naGidza vakazosvika


vakanomirawo muwaiting room maiva namai 3
natete mai Stan vaiva vachangobva kusvika

"Congratulation Miara wazvara vana vako matwins


mukomana nemusikana" vakadaro doctor vachiudza
Choco , iye akayeredza misodzi yemufaro chete,
hama dzake dzakazoudzwa dzikanzi dzipinde kana
ari saGidza aisagona nemufaro kani

"Leeroy na Linah " ndimbuya vacho mai vaGidza


vakatumidza

"Tawananyasha naTadiwanashe" ndiye Gidza


muridzi wemwana akatumidza
Miara akazoburitswa muchipatara , akambonogara
kumba kwavo kwe1 month achidzidziswa kubata
mwana akazodzokera kumba kwake kuwaterfalls uko
kwaakasvika kune Baby welcoming party vanhu
vachifarira matwins aiva aunzwa mumusha
Pamazuva akatevera Kiara akazozvarawo wake
mwana musikana and akabva audza muridzi
wemwana , iye Dee uya aiva awanawo kamari kari
nani kuchikorokoza kwake akabva atevera mhuri
yake akaroora Kiara akachitorana nemhuri yake
vonanga kuchimanimani
Mazuva nemakore zvakafamba Tiara asina mwana
and zvaiva zvatova worse pakuti murume aiva
asingachatenge chero chikafu , akazofunga kutanga
kuita munhu kwaye akarasira pride kure , akatanga
nekunokumbira mai vake ruregerero , ndokuzokwira
comby akananga kuWaterfalls kwaigara Miara
nemhuri yake akanokumbira mwana wamai vake
ruregerero , kwakubva agera musoro kwakuchitanga
kunamata kumasowe

Gidza aiva ava kushanda saBank accountant , Miara


ari Lawyer achiendawo kubasa vana vavo vaisara
namaid pamba. Nelly aiva azoroorwa naPastor Takax
vake vakatochata izvezvi vari kutotarisira kababy,
Uyuwo PJ aiva azowana musikana waaida kuroora
vaitofambira nyaya dzemarooro ake, Brenda upenyu
hwakaramba kutambanuka aiva ongoitawo zvema
peacejob izvozvi kuti aone kuchengeta mwana wake

"Haaa kuroora kuroora zvako mufess wangu but


wakambo Jola "
Ndi Gidza zvake aiseka PJ uri musi wemarooro ake

Tiara zvemwana zvakaramba zvose nezveimba


zvacho akadzoka hake pamba pevabereki obetserana
namai vake kumanager mashop vanhu vaingifungira
kuti maybe chibereko chake chaiva chakakanganisika
madays aye aakableeder zvakanyanya saka mai vake
vakazomuendesa kwaDoctor akanobviswa tsvina
muchibereko
Gidza aiva onetsera umwe mwana sezvo vana 2 vaiva
vatova magrade 1 asi Choco aingotsika tsika kuri
kutya kurwadziwa nelabour pain ,
Mai vaGidza vaida vazukuru vavo zvisingaite
maweeends vaivatora vachinoswera navo kumba
kwavo kana kuvaendesa out

"Ndinokuda mai vevana vangu " akadaro Gidza


achizevezera munzeve maChoco

"I love you too darling "


Akadaro Choco achinama murume wake nekiss
nechemumoyo Gidza aiseka zvake achiti "I married
my best friend"

And they live happily after and forever

*THE END* !!!!

🔥🔥🔥
*Don't miss our next book called LOVE and
CONFUSION*

*Lily loves you all*❤🥰

You might also like