Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 15

0|Page

CHECHI YEMETHODIST MUZIMBABWE

VHIKI ROKUCHERECHEDZA KUKOSHA KWEMHURI –


2023

Ishe werumutsiridzo nerudzoreredzo (Pisarema 85:6)

1|Page
MUSUMO
Mhuri chiumbwa chinokosha zvikuru chakamiswa naMwari pachavo.
Hazvisi muhurongwa hwaMwari kuti pave nemhuri dzisina kubatana,
ndiko saka ivo Mwari pachavo vachitoti vanovenga kurambana
(Maraki 2:16). Mufaro werudo rwunowanikwa mumhuri ndiwo
zvakare mufaro wechechi nhasi. Chipo chikuru kuti mhuri dzigare
pamwe chete mukubatana. Mumhuri ndimo matinodzidza kuti rudo
chii uye kuti chii chinonzi kudiwa; tinodzidza zvakare kuregerera
nokuregererwa uye kuti hukama uhwu hunochengetedzwa sei
pakufamba kunenge kuchiita nguva.
Hupenyu hwemhuri hahwugoni kunzwisiswa nokuraramiwa kunze
kwemurawu waMwari. Tinofanira kudzokera nguva dzose kuzviga
zvakatarwa naiye akasika chimiro chemhuri pamavambo. Mumweya
iwoyo tiri kusangana zvakare sechechi mwaka uno kuti tipemberere
nokucherechedza icho chakasikwa [mhuri] naMwari akachiita
chitsvene. Bhuku rino rakagadzirirwa kutibatsira kuti tifungisise apo
tinotsvaga kuona kuti mhuri dzedu dzaramba dzakasimba
dzakavakirwa pahwaro hwusingazungunuki hweshoko raMwari.
Misoro yenyaya iri mubhuku rino yakarongwa nenzira inobatsira
nhengo dzose dzemhuri kukwanisa kuona nzvimbo dzavo pamwe chete
nemisenzekete yavo muchita chinoyera ichi. Bhuku rino riri kuuya
panguva chaiyo yakakodzera, zvikuru tichitarisa kuti tiri kurarama
munyika ine zvakawanda zviri kusimuka zvichipa tsanangudzo itsva
pachimiro chemhuri. Tinoshuvira kuti tose tive nesvondo remhuri
rakaropafadzwa.

Revd. Dr. K. Paradza


(Mission Director)

2|Page
NHENDO
Bhuku rino rakanyorwa naMufundisi M. Mawire. Tinoda kupa nhendo
dzedu zhinji kumuzodziwa waMwari uyu nokuzvipira kwake, pamwe
chete nokugoverana nesu ruzivo rwaanarwo pamusoro pemhuri
kuburikidza nechinyorwa ichi. Tinopa nhendo dzedu kumakomiti
emitauro yemuno avo vakaita kuti bhuku rino ringe richiwanikwa
mururimi rwaamai. Tinoti Mwari ngaavaropafazde zvikuru.

Revd. O. Chagudhuma
(Research and Publications Coordinator)

3|Page
ZUVA ROKUTANGA
MUSORO: BHAIBHERI RINOTI KUDINI NEZVEMHURI?
CHIVERENGWA: MAVAMBO / GENESISI 2:21-24
Mhuri inotsanangurwa savanhu veimba imwe chete, inoreva
kubatanidzwa komurume nomudzimai, pamwe navana vavo. Sezvo
varivo vakasika mhuri, Mwari vane hukama hwepedyo noumwe
noumwe. Magwaro ndiwo mudzidzisi wedu mukuru wokubatanidzwa
koupenyu hwose komurume mumwe chete nomudzimai mumwe chete
saihwo hwaro hwemhuri [Genesisi 2:21-24]. Tichitarisa muBhaibheri
rose, mhuri ndiyo yakamiswa somuenzaniso pamusoro pezvose
naMwari; humwe hukama hwose hunofanira kubva padzinde remhuri,
hwaro hwaMwari hwokuumba nzanga.
Kana tikatarisa Mitemo ine Gumi, tinoona mina yokutanga ine
chokuita nohukama hwedu naMwari, imwe mitanhatu ichitaura
zvoukama hwedu nevamwe vanhu. Mitatu yacho yakanangana
nemhuri (Ekisodho 20: 12-17).
1. Kurukurai nezvemirairo mitatu yakanangana nemhuri
nemhedzisiro yokusaiteerera.
2. Sei kune barika?

NDIMA DZOMUBHAIBHIRI DZINOTAURA NEZVEMHURI.


Tinowana zvinoratidza mhuri yakanaka mundima dzinotevera.
Rondedzera zvakanaka zvacho:
➢ Abrahama—Genesisi 18:19
➢ Jakobho—Genesisi 35:2 Joshua—Joshua 24:15
➢ Jobho 1:5
➢ Roisi naYunisi - 2 Timotio 1:5
➢ Ridhiya - Mabasa 16:15
➢ Muchengeti wetorongo weFiripi - Mabasa 16:31-34
She vakatsanangura zvikonzero zvavo zvemhuri muna Mavambo 1:28.
Mhuri dzakafanira kuzadza pasi, sezvakataurwa naMwari kuti
4|Page
zvaizoitika kumhuri yaAbrahamu. Mwari vanoshandisa munhu wose
anoberekwa kuti apfuudzire basa iroro mberi kupfurikidza nokuita
mhuri. Mhuri iri pakati pohurongwa hwaMwari hwokufara
nokubudirira kwavana vavo. Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tingava sei
nemhuri dzine rudo uye dzinofara.

ZUVA REPIRI
MUSORO: MHURI NDIYO SVUMBUNURO
YERAMANGWANA REKEREKE
ZVIVERENGWA: DHUTERONOMI 6:6-7; PISAREMA 78:5-7
Wakambobvunzwa here kuti sei kereke ichinyanya kucherechedza
zvedzimhuri? Zvinoita sezvisinganzwisisike kuti kereke hainyanyi
kutsigira kusaroora/rwa, sezvo Jesu asina kumboroora.
Panodowanikwa makereke achiwanzopa rubatsiro kune vakaroorana
nemhuri, saka chii chikonzero chokudaro?
HURUKURO:
➢ Sei mhuri iri musimboti wekereke?
➢ Mhuri dzinobatsirei pakuvakwa koHumambo hwaMwari? Pazasi
pane dzimwe mhinduro dzinowedzera kune zvawawana
pahurukuro
I. MHURI INOCHENGETEDZA NHOROONDO
Tese tinoziva kutaura kwaPauro kuvabereki muna VaEfeso 6:4 kuti
vaunze vana vavo “mukurovedzera nokurayira kwaShe”, asi
musenzekete wavabereki wokupfuudzira rutendo mberi hauna kutanga
naPauro. Unofanira kudzokera kumavambo chaiwo eBhaibheri
kwatinowana Mwari vachiraira rudzi rwaIsraeri kugoverana rutendo
nekereke yavo (Deuteronomio 6:6-7). Hurongwa hwaMwari nebasa
remhuri kupfuudza mitemo yavo kubva kuchizvarwa nechizvarwa. Izvi

5|Page
zvinochengetedza nhoroondo yamabasa aMwari, mirairo uye rudo
rwavo kuvanhu vavo.

1. MHURI INORERA VADZIDZI:


Imwe yezvikanganiso zvikuru zvinoitwa nevabereki kusiira basa
rokurera vana vanotya Mwari kukereke. Zvakanaka samare kuti
vanounza vana vavo kukereke, vanovapinza mumibato yechiKristu, asi
hapana chimwe chezvinhu izvi chingatsiva kukosha kwezvinoitika
mumusha. Vabereki havafanire kuzvidza pesvedzero yavanayo pavana
vavo.
Izvi zvinonyatsojekeswa zvakanaka kwatiri naPauro kuna 2 Timotio
1:4-5. Timotio akawana kutenda kwechokwadi kuna mbuya vake Roisi
namai vake Yunisi, zvichitsanangura mararamiro ake achiri mudiki.
Kukudza vadzidzi ibasa rakakura kwazvo. Vabereki vanofanira kuva
vakasimba panhau yokupfuudza kutenda kwavo pamusoro pokurarama
nenzira yavanodaidzwa nayo naMwari kuti vararame pamberi pavana
vavo navamwe vanhu mazuva ose.
MHEDZISO: Vakawanda vedu takaita rombo rakanaka rokuva
nanamai nanambuya vakafanana naYunisi naRoisi, madzimai maviri
akararama nokutendeka sokuraira kwaMwari vachipfuudza mitemo
yavo kuchizvarwa nechizvarwa. Muenzaniso wakakwana sei wemisha
yechiKristu nhasi uno! Kana tichida kurera mhuri dzakatendeka uye
nokuumba vatungamiri vamangwana, tinofanira kutangira mumba.

ZUVA RETATU
MUSORO: KUGADZIRISA KUSAWIRIRANA MUMHURI
ZVIVERENGWA: ZVIREVO 11:29; VAROMA 3:23
Mhuri nderimwe ramasangano makurusa akaitwa naMwari.
Yakagadzirirwa sedanho rakarongeka romumagariro rinopa rudo,
6|Page
runyararo, kuberekana uye kudyidzana kwakanaka. Mhuri dzedu
dzinofanira kukosheswa, kuremekedzwa nokuchengetedzwa.
Makakatanwa nezvinetso mumhuri dzavanhu zvakagara zviriko
kubvira mumazuva aAdhamu naEvha.
Unomboshuva kuti dai pasina chinhu chinonzi makakatanwa here? Iwe
unogona kunge uri mupeta wavanhu vanomhanya kunohwanda kana
paita kupokana, kana kunge uchisumudza musoro kwazvo panguva
dzakadai. Zvisinei nokwawakarerekera, kupesana hakuzoshaikwi.
Tose takambosangana nokurwadziswa, takatadzirwa kana kusabatwa
zvisina kufanira. Harisi jee iri uye chokwadi chisingarambiki
ndechokuti takamboitirawo vamwe zvinhu izvi. Isu takamborwadzisa
vamwe tikatadzira hama dzedu navavakidzani.
HURUKURO:
a. Ndedzipi dzimwe nyaya dzinokonzeresa kusawirirana mumhuri?
b. Zvino tingagadzirisa sei kusawirirana uku?
ZVOKURANGARIRA:
1. SARUDZA HONDO DZAKO NOUNGWARU
(Ekisodho 14:14) “Jehovha uchakurwirai, imwi munofanira
kunyarara henyu.” Usabvumira nhau yokuda kungove iwe
wakarurama kuti ikukonzerese kuita makakatanwa asina basa
nevemhuri yako. Sei ungada kukunda muhondo asi
zvichikuparadzanisa nemhuri yako? Hondo dzako ngadzimirire zvinhu
zvino musoro.
2. MHURI DZESE DZINOMBOSVIKA PADZISINGAFAMBI
ZVAKANAKA
VaRoma 3:23 inoti, "Nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya
kwaMwari." Hakuna mhuri isina zvirehwarehwa. Mhuri yoga yoga
inosangana namakakatanwa, matambudziko nezvimwe zvinetswa.

7|Page
3. GARA UCHIDA UYE UCHIKOSHESA MHURI YAKO
1 Petro 4:8 "Pamusoro pazvose, dananai zvikuru, nokuti rudo
runofukidza zvivi zvizhinji." Nhengo dzemhuri yako dzinoda kunzwa
kuti dzinodiwa, dzinogamuchirwa uye dzakakosha. Kuratidza rudo
kumhuri yako ndiyo nheyo yesimba rako.

4. CHENGETEDZA ZVAKAVANZIKA: (Dhuteronomi 29:29)


Wese munhu haafanire kungofukurirwa zvakavanzika zvomumhuri
yako. Chimiro chemhuri yako kuruzhinji chinhu chinokosha.
Chinangwa ngachive chokugadzirisa zvinetswa zvingadaro zviri
kukanganisa mhuri yako.

MHEDZISO:
Vanhu vakawanda vanoona kupesana sokwakangoipa bedzi, asi
neimwe nzira kunoita kuti tisimbe, uye tinodzidza chaizvoizvo
zvakakodzera kuitirana makakatanwa. Basa raMwari rinotibatsira
kubata kusawirirana nenzira youMwarI kuti vatishandise
muzvakanaka. Kana wakanganisa bvuma, reurura- 1 Johane 1:7-10;
kurumidza kuregerera - VaKorose 3:13

ZUVA RECHINA
MUSORO: KUFAMBISWA KWEZVEMARI SEMHURI
ZVIVERENGWA: HAGAI 2:8, TIMOTIO 6:9-10, ZVIREVO
15:27, MAPISAREMA 37:21, ZVIREVO 22:7
Kuda mari kungava mudzi wezvakaipa zvose, uye kusashandiswa
zvakanaka kwemari ndiyo mviromviro yezvinetso zvakawanda
zvoupenyu. Izvi zvinobata vanhu vose vakaroorana navasina.
Chokwadi ndechokuti mari ingave butiro rezvinhu zvakawanda, asi
kwete mongo wacho. Inounza zvokudya asi kwete havi yokudya,
8|Page
mushonga asi kwete utano, vazikanwi asi kwete shamwari; varanda asi
kwete kutendeka, mazuva omufaro asi kwete rugare. Mashandisiro
emari anoda kuzviongorora semhuri muchirangarira kuti mhuri imwe
neimwe yakasiyana, ine mamiriro akasiyana, matambudziko uye
zvavanotenda kwazviri. Panogona kuita mhuri inoita kunge inowana
kupfuura yako. Kana chipimo chokubudirira kwenyu semhuri chiri
chokuzvienzanisa navakakupoteredzai, zvichakukonzeresai kudada,
kuita shanje kana zvose zviri zviviri (Mateo 6:33). Kunetseka
nezvemari kunokonzera kushaya mufaro.
Hurukuro:
➢ Kunetseka nezvemari kunozviratidza sei mumhuri?
➢ Unganzvenga sei dambudziko remari?
Mari iri muhurongwa hwaMwari uye inodiwa navanhu. Naizvozvo
tinofanira kunzwisisa nokubvuma kuti mabatiro atinoita mari yedu
semhuri anofanira kuva chikamu chamafambiro edu echiKristu. Mari
inogona kuva muranda anoteerera asi ichigonazve kuve foromani ano
hukasha. Iko hakuna nzira yaungambowana nayo mari yakawanda
kupfuura yaunogona kushandisa. Hakusi kuwanda kwemari
inotambirwa nomunhu kunounza rugare mupfungwa.
ZVOKUCHERECHEDZA:
1. Saka unofanira kungwarira kukwereta (Zvirevo 22:7). Mhuri
haifaniri kuzikanwa nokukwereta. Ukakwereta mari wazvisungirira
kumunhu iyeye. Kana uchifanira kukwereta ita uchinyatsoziva kuti
unogona kudzorera nokukurumidza (Zvirevo 6:5).
2. Usatore mukana wavaunodherera, zvikuru mubhizimisi. Bhaibheri
rinonyatsojekesa kuti tinofanira kuva vakachenjera pamafambisiro
edu ezvemari navamwe (Revhitiko 19:3.

9|Page
ZUVA RESHANU
MUSORO: KEREKE HAITORI CHINZVIMBO CHEMHURI
ZVIVERENGWA: RUKA 2:41-51, MATEO 12:46-50, JOHANI
19:26-27
Kereke ndiro sangano rakanakisa rokudzidzisa vanhu misimboti
yokurarama nomufaro mudzimhuri. Sezvineiwo, maKristu mazhinji
haazive simba guru rine kereke mumhuri dzavo.
Zviri pachena kuti Jesu akamira pazvimbo yake zvizere somutezo
wemhuri yorudzi rwavanhu. Ndiwo maonerwo aakaitwa
nevomunharaunda vaiona mararamiro ake mazuva ose. Hudiki
hwaJesu pachahwo chiratidzo chokuti pakanga pasina mutsauko
nohupenyu hwedzimwe mhuri dzechiJuda zvingasiyanisa makore ake
ekutanga pakuyaruka. Vabereki vake pavakamutsvaga ndokumuwana,
wakavataurira chikonzero chake chaaive asarira.. Akaenda navo
kuNazareta somwana anoteerera, achizviisa pasi pevabereki vake. Saka
Jesu akachengetedza kukosha uye chinzvimbo chemhuri yeropa.
Pane rumwe rutivi, angave akabvunza kuti, “mai vangu ndiani”
pakuvamba koushumiri hwake (Mateo 12:46-50). Ichi chaiva
chiratidzo chokuti akanga asina kuuya kuzoponesa mhuri yake chete
asi kuzoponesa vatadzi vose. Zvinosuwisa kuti vamwe vanhu vari
kushandisa ndima iyi zvisizvo vachitsigira kusave kwavo nehanya
navabereki nehama. Chombo chimwe chete Mwari chavakashandisa
mukuzanirana kwamakore uye chavachiri kushandisa nanhasi kuumba
mhuri dzino mufaro ikereke.
HURUKURO:
1. Pachivanhu chedu watinoti baba namai ndiani?
2. Maererano netsika dzekereke, mushumiri anonzi baba kana amai
kunyangwe ari mudiki asina mwana. Sei ari baba kana amai?

10 | P a g e
MHEDZISO
Mukereke munogona kuumbwa hukama hwakanaka. Vana, vechidiki,
vachangochata, vabereki, uye vakweguru vachawana shamwari.
Patinouya kukereke nenhengo dzemhuri dzedu, tinouya nesungaukama
idzodzo. Chinonyanya kudiwa nekereke hakusi kusunungura hukama
zvemhuri nechinangwa chokuumba mhuri itsva dzomweya, asi
kukurudzira mhuri kucherechedza zvinokosheswa nevhangeri. Kereke
inodzidzisa Bhaibheri neshoko rine chokuita noupenyu inogona kuita
kuti zvive nyore zvikuru kuvabereki pavanotakura misenzekete
yokurera vana vavo, “mukutya nokurayira kwaShe” (VaEfeso 6:1-4).
Vabereki havafanire kurangura vana vavo vanosarudza kunamata kune
dzimwe kereke dzisiri dzavo, zvimwe chetezvo navana.
ZUVA RECHITANHATU
MUSORO: KUVA CHIKAMU CHEMHURI
YAKATANDAVARA
ZVIVERENGWA: GEN 12:4-5, GEN 29:9-14, ESTERI 2:5-7
Mhuri dzinotandavara kubva mu"Nuclear – mhuri yababa namai
navana vavo”. Munhoroondo yose yavanhu vaMwari, mhuri
dzakagara dzakakura, zvokudoti Bhaibheri harina shoko rinoreva
“nuclear.” Kareko muBhaibheri mhuri dzaitandavara nezvizvarwa,
dzichichengetana vakuru navadiki. Dzaitanda dzichinombandanyira
vaiuya nekuroorana kana kuganhira. Vakatanda kunosanganisira
vaishanda mumabhizimisi emhuri. Mhuri dzakatandavara dzaivepowo
sohutiziro hwavasina mhuri kufanana nechirikadzi nenherera.
Kunyange mumakereke amazuva ano mhuri dzichiri kushanda sehwaro
hwekugamuchirwa kwavaeni, kunyanya avo vane mhuri dziri kure
kana kuti dzisingavatsigiri. Mhuri dzeropa padzinokundikana, mhuri
yedu yapamweya inofanira kupindira.

11 | P a g e
HURUKURO
Basa rangu nderei kumhuri yangu yakatandavara zvichienzaniswa
nomusenzekete wangu mumba mandinoberekwa? Pane musiyano here
pakati pembiri idzi? Maonero angu ndeokuti vatendi vazhinji
vanokasira kuedza kubatsira nyika yose, ipo pachidiwa kuti tive
vashumiri vano mutsindo mumhuri, uye tiumbe mhuri dzakatandavara
dzakasimba dzinoda Mwari. Unofungei?
Pisarema 133:1 Dhavhidhi anoti: “Zvakanaka sei uye zvinofadza sei
kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana.” Ndima iyi inogona
kureva zvose mumba mokuberekwa nomumhuri yakatandavara.
Pauro unoraira Timotio kuti: ‘Usatsiura murume mukuru nehasha,
asi uvakurudzire sezvinoita baba vako. Ubate varume vaduku
sevanin'ina, vakadzi vakuru savanamai [1 Timotio 5:1].
Pauro akarayirazve vana vechiKristu kuti “vaise chitendero chavo
mumuitiro wokuchengeta mhuri yavo vamene” achiwedzera kuti
“munhu upi noupi asingachengeti hama dzake, uye zvikurukuru
veimba yake, arasa kutenda uye akaipa kupfuura asingatendi.” [ 1
Timotio 5:4, 8]
Mhuri yakatandavara ichiri nzvimbo yakanaka yokutanga kurera vana,
kuchengeta vakwegura uye kupa rutsigiro rwehupfumi. Isu tose
takaumbwa, tikaunganidzwa nokusunganidzwa nedandemutande
rezvisungo zvemhuri zvatisina kusarudza. Saka kuva chikamu
chemhuri yakatandavara chinhu chakanaka kukereke nokunyika.
Zvinovhura mikana yakawanda pakuparidzwa kwevhangeri iro
rinoparidza rudo nokuve muchengeti wehama yako (Zvirevo 27: 9-10).

12 | P a g e
ZUVA RECHINOMWE
MUSORO: UNYANZVI HWEKUKURUKURIRANA
MUMHURI
ZVIVERENGWA: MAPISAREMA 141:3, ZVIREVO 25:11-14,
VAEFESO 4:29
Kukurukurirana ndiwo musimboti muhupenyu hwose hwavanhu.
Ndicho chimwe chezvinhu zvikuru zvinosiyanisa vanhu nemhuka.
Munhu unoberekwa ane chishuvo chokurukurirana naMwari pamwe
navamwe vanhu. Vanhu vakawanda vanosiya kukurukura navamwe
vanhu kuti vataure naMwari.
Pakupedzisira, izvi zvinovakanganisa nokuti dzinowanzozove
hurukuro dzoundingoveni. Vanhu vanofarira kukurukura naMwari
pachokwadi kupfurikidza nesimba romweya wavo unogara mavari, ivo
vanosununguka, uye vachisunungukirawo vamwe. Zvinozovaitira
nyore kuita hurukuro mumhuri dzavo navaya vakavapoteredza.
Naizvozvo kukurukurirana ndihwo hwaro hwemhuri dzakanaka. Kune
dzimwe mhuri, kurukurirana kwakava namagumo asingafadzi
HURUKURO
1. Zvii zvingava zvibingamupinyi pakukurukurirana zvakanaka
mumhuri?
2. Zvii zvingagadziriswa kuti pave nokurukurirana kwakanaka
mumhuri?

MHEDZISO
Kukurukurirana mumhuri nguva dzose kunofanira kuitwa norudo
nokutendeseka. Kunyenyeredza nyaya dzakagozha kana
dzingasimudza kupesana hazvigadzirisi chinhu asi zvinokonzeresa
kukura kwedambudziko. Regai kutaurirana zvinonyadzisira uye
mashoko akaipa. Tauriranai zvoupenyu kwete rufu (Zvirevo 18:21).
Mhuri isingakudzani nokuremekedzana inowaridza hwaro

13 | P a g e
hwokuputsika nokusashandidzana zvakanaka. Nhengo dzemhuri
ngadziwane mukana wokunzwikwa pakukurukurirana
napakusawirirana. Rangarirai semhuri kuti hunhu hwavanhu
hwakasiyana. Mafungiro avanhu akasiyana. Misiyano iyoyi iripo,
kutaurirana kunofanira kuramba kuripo nokuti mukudaro munoumbwa
ukama hwakanaka. Kana pasina hukama hwakadaro pari zvino,
unofanira kuhunyengeterera nokuhushandira.

14 | P a g e

You might also like