Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 46

Shona

‘O’ Level Revision

ar y notes
• With summ
bus objectives
covering sylla
d el Z IM SEC questions
• M o
and answers
Shona
'O' Level Revision
ring
ar y notes cove
• With summ
ives
syllabus object and
d el Z IM SEC questions
• M o
answers
Published by:
Secondary Book Press Private Limited
4th Floor, CABS Centre Building,
Cnr Jason Moyo & 2nd Street,
Harare, Zimbabwe
Tel: +263 242 771 406 | +263 242 753 201
Mobile: +263 712 560 870 | +263 788 954 870
Email: sales@secondarybookpress.co.zw
Website: www.secondarybookpress.co.zw

A Practical Approach to Shona | 'O' Level Revision Book

ISBN: 978-0-7974-8543-3

First Published in December 2022

Copyright © Secondary Book Press

Editor in Chief: Munyaradzi Gunduza


Development Editor: Linnety Mafukidze, Paul Mushumbi and Ngonidzashe Mupinda
Text layout: Patricia N. Munemo

Acknowledgements
The publisher would like to express heartfelt appreciation and thanks to the following contributors; Usayi
Andrew, Mawarire Precious, Dube Abigail and Homela Lydia. Their contribution and devotion are recognised
in making this publication a success.
Every effort has been made to trace the copyright holders. In the event of unintentional omissions or errors,
any information that would enable the publisher to make the proper arrangements will be appreciated.
All rights reserved. No part of this publication may be reproduced, stored in a retrieval system, or transmitted
in any form or by any means, electronic, mechanical, photocopying, recording or otherwise, without prior
permission of the copyright owner.
Zviri mukati

Chitsauko 1: Rondedzero neNzwisiso................................................................................................. 1


Chitsauko 2: Zvirungamutauro............................................................................................................ 20
Chitsauko 3: Mazita............................................................................................................................ 23
Chitsauko 4: Zvisazitasingwi.............................................................................................................. 28
Chitsauko 5: Zvidudzirazita................................................................................................................ 30
Chitsauko 6: Zvindori.......................................................................................................................... 36
Chitsauko 7: Zviito nezvidudzirazviito............................................................................................... 38
Chitsauko 8: Misambo yemutauro...................................................................................................... 44

Bvunzo 1............................................................................................................................................... 50
Bvunzo 2............................................................................................................................................... 56
Bvunzo 3............................................................................................................................................... 61
Bvunzo 4............................................................................................................................................... 67
Bvunzo 5............................................................................................................................................... 72
Bvunzo 6............................................................................................................................................... 79
Bvunzo 7............................................................................................................................................... 85
Bvunzo 8............................................................................................................................................... 91
Bvunzo 9............................................................................................................................................... 97
Bvunzo 10............................................................................................................................................. 103

Mhinduro............................................................................................................................................. 110
Nhanganyaya

Nhanganyaya Achingopedza otopinda muchikamu chechitatu umo


mune mazita nenzira dzekuaumba zvose nekuzoaisa
Shona ‘O’ Level Revision Book inhava mumipanda yawo.
yakagukuchira mbuva inogutsa uye kuzadza
pfungwa nezivo. Hakuna anotakura ino nhava Mudzidzi achasangana nezvisazitasingwi
akasara achigunun’una kuti pfungwa dzake muchikamu chechina. Zvose izvi zvakabatwa
dzichiri nenzara yezivo pachidzidzo cheChiShona. zvikatsanangurwa nenzira inoita kuti munyori
Chinyorwa chino ndiMupedzazvose chaiye! webvunzo akurumidze kubata. Zvidudzirazita
Bhuku rino rine zvitsauko zvisere zvinobata zvose zvichadzidzwa muchikamu chinotevera.
zvinotarisirwa nebumbiro reChiShona. Zvindori zviri muchikamu chechitanhatu. Midzi
Hapana chakasara. Tichibva pazvitsauko izvi yezviito ichadzidzwa nezvayo muchikamu chinobata
tinonanga pabvunzo gumi idzo dzinobatsira zviito nezvidudzirazviito zvose; chinova chikamu
mudzidzi kuti awedzere ruzivo rwake pane chechinomwe. Chisekedzani nechinyarikani
zvaadzidza muzvitsauko zvose zviri zvisere. imhando mbiri dzemisambo dziri muchitsauko
chekupedzisira.
Mamiriro ebhuku
Bvunzo dziri mubhuku
Chitsauko chekutanga chine Rondedzero
neNzwisiso izvo zvakatsanangurwa zvinogutsa. Pakupedzisira ndipo pane bvunzo gumi idzo
Rondedzero yetsananguro, tsamba (tsamba yebasa dzinobatsira mudzidzi kuti azvikwidze pachikero
uye tsamba kuhama/shamwari), rondedzero obva azviera oga kuti anzwisisa zvakadii pane
yetsumo, nenhaurwa ndidzo mhando dzerondedzero zvaaverenga, asi kunaka kwazvo ndekwekuti bhuku
dzakanyanyosimbirirwa kutsanangurwa rino rinoramba richidzidzisa mudzidzi.
muchinyorwa chino. Mudzidzi anodzidziswazve Bhuku rino rinopa mhinduro dzose pamibvunzo
kupindura mibvunzo yenzwisiso zvose nepfupiso yarinobvunza. Izvi zvinobatsira mudzidzi kuti
nenzira chaiyo inotarisirwa. adzoke mugwara paanenge opinda musango.
Tsumo, madimikira, nyaudzosingwi, Naizvozvo, hapana chikonzero chisvinu uye
fananidzo neenzaniso ndizvo zvirungamutauro chinobatika chekuti mudzidzi angatadza kubudirira
zvichadzidzwa nemudzidzi muchikamu chechipiri. pabvunzo dzake mushure mekunge amboisa meso
Chimwe nechimwe chezvirungamutauro izvi ake mubhuku rino.
zvakatsanangurwa nemazvo mashandisirwo azvo.

i
Panopera bvunzo idzi, mudzidzi achasanganazve Kushandisa nguva zvine uchenjeri pakupindura
nechikamu chine bvunzo pamusoro pemisambo mibvunzo inofanira kupindurwa zvinoda
kuwedzera ruzivo rwake pamusoro pechikamu kuchenjererwa nemunyori webvunzo.
ichi. Zviri kwaOdzi ndizvo zviri kwaSave, bvunzo
Mudzidzi anotarisirwa kuverenga onzwisisa
dzemisambo idzi dzinewo mhinduro yadzo iyo
zvitsauko zvose zviri mubumbiro reChiShona
inodzoreredzazve mudzidzi kuti arambe ari
kwete kusimbirira zvitsauko zvaanoona sekuti
mugwara.
anofarira achisiya zvimwe nekuti zvitsauko zvose
Mapepa ebvunzo zvinobvunzwa pabvunzo dzake.

Tichitevedzera bumbiro reChiShona, Shona ‘O’ Mudzidzi anofanira kungwarira pakupindura


Level Revision Book rine mapepa ebvunzo maviri; rondedzero ine musoro waanonyatsonzwisisa,
Paper 1 nePaper 2. kwete kuda kuzofungira muzamanishoni; kunyanya
parondedzero yetsumo. Rondedzero iyi inoda kuziva
Rondedzero neNzwisiso zvinodzidziswa mudzidzi
kwete kufungidzira. Pfupiso inoda kugadzirirwa
nechinyorwa chino zvinowanikwa muPaper 1
zvakare, mudzidzi achirangarira kushandisa ruzivo
(4007/1), izvo zvinotarisirwa kunyorwa nenguva
rwaakawana mukudzidza kwake.
inoita maawa maviri. Bepa iri rine zvikamu zviviri;
chekutanga iRondedzero iyo ine zvibodzwa makumi Kunewo vadzidzi vanenge vafamba zvakanaka
mashanu nechikamu chechipiri chine Nzwisiso kubva kuPaper 1 vanozorasikirwa nezvibodzwa
nePfupiso izvo zvinewo zvibodzwa makumi matatu. pavanongoti vhu-u kuPaper 2. Izvi hazvirevi
kuti bepa iri rakaoma asi vadzidzi vanofanira
Paper 2 (4007/2) ine zvikamu zvitatu zvinotarisirwa
kudzokorora zvakanyanya chikamu cheMaumbirwo
mudzidzi kunyora mumaawa maviri zvakare.
eMutauro.
Mashandidirwo eMutauro (Zvirungamutauro),
Misambo yeMutauro neMaumbirwo eMutauro Mibvunzo inobvunza zvindori, zviito
ndizvo zvinoumba chikamu chekutanga kusvika nezvidudzirazviito ndiyo inoita kuti vadzidzi
pane chechitatu neurongwa hwazvo. vazofunga kuti ChiShona chakaoma. ChiShona
hachina kuoma kana mudzidzi ambobata chinyorwa
Mudzidzi anotarisirwa kukohwa zvibodzwa
chino nokuti chinotsanangura zvose izvi nenzira
makumi maviri muchikamu chekutanga,
inonzwisisika.
tevere zvibodzwa gumi muchikamu chechipiri
uye zvibodzwa makumi matatu muchikamu Zvinokosha kuziva usati wapinda
chokupedzisira. mubvunzo.
Zvinoda kuchenjererwa • Ziva uwandu hwemibvunzo
nemudzidzi yaunotarisirwa kupindura.
• Rangarira kutanga nekuverenga rayiro
Zvakakosha kuverenga rayiro yebvunzo uye
usati watanga kupindura mubvunzo.
kuverenga mubvunzo nekuunzwisisa munyori asati
• Nzwisisa zviri kudiwa nemubvunzo
atanga kunyora. Vadzidzi vazhinji vane dambudziko
mumwe namumwe usati wanyora.
rekumhanya kunyora vachifunga kuti vanzwisisa
rayiro asi vachinyora zvisiri kudiwa nemubvunzo.

ii
• Ziva mhando dzerondedzero dzose. kupindurwa yose, mudzidzi haapiwi
• Yeuka manyorerwo epfupiso uye mukana wokusarudza mibvunzo
rangarira kusadarika uwandu yekupindura.
hwemazwi akatarwa. • Ziva mipanda yose nemo nemo nokuti
• Zvakakosha kuziva chikamu ndiwo mavambo okuziva Maumbirwo
cheMashandisirwo eMutauro nokuti eMutauro; chinova chikamu
mibvunzo yechikamu ichi inofanira chokupedzisira.

iii
CHITSAUKO 1 RONDEDZERO NENZWISISO

Rondedzero (ii) Kukanganisa kunyora mazwi


anotorwa kubva kune mimwe
1. Unyanzvi hunodiwa pakunyora rondedzero mitauro isiri yeChiShona, sokuti:
hunosanganisira: – rori kwete rhori.
• kudoma mhando dzerondedzero. – rekeni kwete rhekeni.
• kuratidza unyanzvi hwemanyorerwo (iii) Kusiirira imwe nzvovera
anoita rondedzero. pamazwi ane nzovera
• kuratidza unyanzvi hwekupatsanura dzakateedzana, somuenzaniso:
nekubatanidza mazwi muChiShona.
– vanosiirira kwete vanosira.
• kunyora mapeji mana.
– vachiita kwete vachita.
• kunyora ndima dzinodyidzana.
• kunyora basa rakachena. (b) Kushandisa sungawirirano isiriyo

2. Matanho anotorwa pakuita basa • Dambudziko iri riri kuwanikwa


rerondedzero: kuvanyori vebvunzo vazhinji
nokuti havasi kukwanisa kunyora
• kusarudza musoro unozivikanwa
zvirevo zvine sungawirirano
nemunyori webvunzo.
yakanaka, somuenzaniso:
• kuronga pfungwa nekukosha kwadzo.
• kunyora pfungwa imwe neimwe – miti yedu kwete miti dzedu.
muchikamu chayo. – mari yangu kwete mari
• kunyora mapeji akatarwa. dzangu.
• Vamwewo vanyori vebvunzo
3. Mhosho dzinoanzoitwa nevanyori
vebvunzo pakunyora rondedzero: ndivo vanokanganisa kuisa
mazita muuzhinji hwao,
(a) Zviperengo somuenzaniso ndiro kwete
(i) Kusiya nzvanyira pamazwi, mandiro. Ndiro indiro chete
sokuti: nyangwe dzikawanda sei.
– vakabayiwa kwete (c) Zvirevo zvisina kuumbwa
vakabaiwa. zvakanaka
– kusiyiwa kwete kusiwa.
– Kusiya nzvanyira (v, w, y), Vadzidzi ngavazive nzira yakanaka
sokuti: yekuumba nayo zvirevo inonyanya
– ndivo kwete ndio. kushandiswa yekuti, Muiti + Chiito +
– kwiyo kwete kwio. Muitirwi.
– worera kwete orera.

1
Sokuti: • Chipauro kana chikadzokororwa
dzitsi chete chinonyorwa
– 
Mudzidzi achasangana
riri izwi rimwe chete sokuti,
nezvisazitasingwi muchikamu
chitematema.
chinotevera kwete kuti Izvo
• Chipauro chikadzokororwa
zvisazitasingwi, mudzidzi
chinonyorwa seizwi rimwe chete
achasangana nazvo muchikamu
sokuti, refurefu kana dikidiki.
chinotevera.
• Chirevauwandu nechiverengo
– 
Tapiwa atumwa naKerinah kwete
zvinonyorwa zvakapatsanurana
Atumwa naKerinah ndiTapiwa.
sokuti, chimwe chimwe, chimwe
Cherechedzo: Munyori wenhetembo ndiye chete kana choga choga.
ane mvumo yekuronga mazwi muzvirevo • Namatidzwa inobatanidzwa
sekuda kwake (poetic licence) asi mudzidzi nezwi sokuti, endazve.
kana munyori webvunzo anotarisirwa • Nyaudzosingwi dzikadzokororwa
kushandisa urongwa hwadomwa pamusoro. dzinonyorwa dzisina chisungazwi
sokuti, nyore nyore, fare fare.
(d) Kubatanidza nekupatsanura mazwi
• Zviito zvine mudzi
zvisizvo
wakadzokororwa
Mitemo yebatanidzo yemazwi zvinopatsanurwa nechisungazwi
inotevera: sokuti, kutamba-tamba,
• Zita rikadzokororwa richireva kufamba-famba.
zvimwe chete rinonyorwa (e) Kushandisa vara diki pachinzvimbo
sezvizvi: pedo pedo. chevara guru
• Zita rikadzokororwa asi richireva
Unyanzvi hwekuziva pekushandisa vara
pfungwa yakasiyana neyokutanga
guru nediki hwakakosha pakunyora
rinonyorwa seizwi rimwe chete,
rondedzero. Vanyori vebvunzo
sokuti: mesomeso, mheremhere.
vanofanira kuziva pekushandisa vara
• Zita rikadzokororwa dzitsi chete
guru nediki, sokuti:
rine nyaudzira dzisingadariki
mbiri rinonyorwa sezvizvi: ChiShona kwete Chishona kana
usikusiku. chiShona.
• Zita rikadzokororwa dzitsi Musiyadzasukwa (zitadunhurirwa) kwete
chete padzokororwa pane musiyadzasukwa.
nyaudzira dzinodarika mbiri
(f) Zvimiso
rinoiswa chisungaizwi, sokuti
chamuhwande-muhwande. Zvakakosha kuziva pekushandisa
• Mazitaumbiridzwa kana zvimiso murondedzero.
mazitadunhurirwa anonyorwa
riri zita rimwe chete sokuti,
Musiyadzasukwa.

2
(g) Chiturabefu Zvakakosha pakunyora rondedzero
yetsananguro
Hachifaniri kuteverwa nezwi rine
chibatanidzi, sokuti: Ndakatenga mombe, • Chekutanga kuverenga wonzwisisa
mbudzi nehuku kwete Ndakatenga musoro wapihwa, woona kuti
mombe, mudzi, nehuku. unonzwisisa nezvawo here musoro
wacho kana kuti kwete.
(h) Chindaguma
• Rondedzero yako inotarisirwa
Kana pfungwa ichinge yakazara kuva nenhanganyaya, mutumbi
panoiswa chindaguma asi panogonawo nemhedziso.
kuiswawo semi-colon kana katyamadzo, • Nhanganyaya inofanira kutsanangura
sokuti: musoro werondedzero uye kubudisa
dzimwe pfungwa dzichabatwa
Semi-colon: Bepa rino rine zvikamu
mumutumbi werondedzero.
zviviri zvinoti: Rondedzero neNzwisiso.
• Ndima imwe naimwe ngaitakure
Tarisa kwauri kuenda, unotsika moto
pfungwa yayo, ichitsanangurwa
iwe!
zvizere. Uyu ndiwo mutumbi
Mitemo inowanikwa muBumbiro remanyorerwo, werondedzero unotakura pfungwa
1967. Mitemo iyi yakavandudzwa kubva muna dzemurondedzero.
Magwa W (1999). • Mhedziso yakakosha pakupeta
pfungwa dzabuda murondedzero.
Mhando dzerondedzero
Yambiro pakunyora rondedzero
1. Tsananguro yetsananguro
2. Tsamba
3. Nyaya • Tsanangura nemazvo musoro
4. Nhaurwa werondedzero uchibudisa pfungwa
5. Hurukuro dzinoratidza kuti unonzwisisa chinhu
6. Mhan’aro chauri kutsanangura nezvacho.
• Kujekesa pfungwa dzauri kupa
1. Rondedzero yetsananguro murondedzero, ipa mienzaniso
Iyi imhando yerondedzero inoda kuti munyori yakakodzera.
webvunzo atsanangure pamusoro pemusoro • Tanga kunyora pfungwa dzine
wapihwa achiratidza ruzivo pamusoro pechinhu udzamu dzaunoona kuti dzinokupa
chaanzi atsanangure. zvibodzwa zvakawanda.
• Usanyurura nyaya yawakamboverenga
Pamhando yerondedzero iyi ndipo panouya mune chimwe chinyorwa.
misoro yakaita sokuti: Kukosha kwemasabhuku
munharaunda, Zvingaitwa kuderedza Rondedzero yezwi rimwe chete
dambudziko revana vari kuita pamuviri Imhando zvakare yerondedzero yetsananguro
vachiri vadiki kana Musambo wemumhanzi nokuti inoda kuti mudzidzi atsanangure
unokufadza. zvakazara pamusoro pezwi rapihwa.

3
Muenzaniso: ukama, nzara, barika • Zviri kudzorera dzidzo kumashure

Zvinotarisirwa parondedzero yezwi rimwe – kushaya mari yemuripo


chete wechikoro
– kuroodza vanasikana vari vadiki
• Chekutanga kududzira zvinoreva izwi – zvirango zveupfumi
racho kana kutsanangura zvinoreva zvakatemerwa Zimbabwe
izwi racho zvizere. – kupararira kweutachiona
• Rondedzero iyi hainyorwi nyaya hunokonzera dzihwamupengo
nokuti munyori webvunzo haazowani – kubhadharwa muhoro uri pasi
zvibodzwa zvakawanda. kwevarairidzi
• Zvibodzwa zvinopihwa
zvichienderana nehuwandu • Zvingaitwa kusimudzira dzidzo
hwepfungwa dzapihwa nemunyori – zvikoro zvehurumende
webvunzo pamusoro pezwi raapihwa. zvinofanira kubhadharwa mari
• Tarisa muenzaniso wepfungwa yepasi uye mari yemuno munyika
dzingabudiswa murondedzero ine – masangano akazvimiririra
musoro wekuti Dzidzo. ega nehurumende zvinofanira
kubatsira vanotambura kana kuti
Dzidzo
vanoshaya
 zidzo ruzivo runowanikwa neanenge
D – vadzidzi vanofanira kugona
achitsvaga mamiriro namafambiro ezvinhu kushandisa indaneti kana dzidzo
zvinowanikwa muupenyu. yemumasaisai kuwana ruzivo
– kusunga vanotyora kodzero
• Panowanikwa dzidzo dzevana dzedzidzo
– mumhuri, munharaunda,
Idzi ndedzimwe dzepfungwa dzinogona
pazvikoro, padare,
kubudiswa pakupindura mubvunzo wemhando
mumachechi, pamusangano,
iyi. Mudzidzi anokwanisa kuwedzera zvakewo.
mumadzimudzangara, indaneti
Pfungwa idzi dzinofanira kubatanidzwa
– Mudzidzi anotarisirwa
dzichiruka rondedzero.
kutsanangura mhando dzedzidzo
dzinowanikwa panzvimbo idzi 2. Nhaurwa
• Zvakanakira dzidzo Nhaurwa irondedzero ine chekuita nevanhu
– kuderedza urombo munyika vanenge vakaungana, iwe (munyori) wonzi
– kusimudzira raramo yeupenyu chinyora rondedzero uchitaura kugungano
– kusimudzira upfumi hwenyika revanhu iri.
– kusimudzira vanhukadzi Zvakakosha panhaurwa
nemwanasikana
– inoderedza kuparwa kwemhosva (i) Munyori webvunzo anotarisirwa
– inorodza njere kutanga nekwaziso kana mazwi
– inobatsira kuchengetedza ekukumbira nzeve kugungano
zviwanikwa zviri munyika revanhu rinenge rakaungana.

4
sokuti: P
 amusoroi ..., Mangwanani Ini ndinonzi Abel Mukaka, mumiriri wevarimi
akanaka ..., mudunhu reChivi South. Ndinoda kurudunura
(ii)  Munyori webvunzo ngaashandise matambudziko atiri kusangana nawo uye
izwi remutauri rekutanga sokuti: Ini ndichikumbirawo rubatsiro rwatinotarisira
ndauya pano ... kubva kuhurumende nemasangano
(iii) Munyori webvunzo, sezvo ari iye akazvimiririra oga.
mutauri, ngaakwazise gungano riripo
Mutumbi
sezvo kwaziso ichipa ruremekedzo.
Pakukwazisa apa ngaatange Munyori webvunzo anotarisirwa kunyora
nevakuru achienda nezvinzvimbo matambudziko akaita seaya:
zvinoremekedzwa zvevaripo
– k ushaikwa kwemvura mudunhu
pagungano.
reChivi
(iv) Munyori ngaabudise chinangwa
– kufirwa nezvipfuwo
cheungano iripo. Zvakare zuva
– kudhura nekushaikwa kwembeu
ngaribude, sokuti: Nhasi; Chitatu 28
muzvitoro
Kukadzi ...
– kutengerwa zvirimwa nemutengo
(v)  Pakutsanangura pfungwa imwe
wakaderera
neimwe zvakazara uye zvinogutsa
– kuondomoka nekuchereka
ndipo pane mutumbi werondedzero.
kwemigwagwa
(vi) Mutauri achinge apedza anotarisirwa
– kushaya ruzivo pamusoro pembesa
kupa mazwi ekutenda kuvateereri.
dzokurima
Muenzaniso womubvunzo
Zvingaitwa kugadzirisa matambudziko:
Uri mumiriri wedunhu renyu, nyora mashoko
– 
hurumende kubatsira nembeu
auchataura pagungano revarimi richaitwa
nefetiraiza
mudunhu renyu uchitsanangura matambudziko
– kudzidzisa varimi nezvekurima
ari kusangana nevarimi uye rubatsiro rungadiwa
– 
kuchengetedza uswa nemashanga
pakugadzirisa matambudziko aya.
zvokuzopa zvipfuwo munguva
Musoro yechirimo
– 
kuvaka madhamu nekuchera
Matambudziko ari kusangana nevarimi
zvibhorani kuitira madiridziro
vekwaChivi uye rubatsiro rungadiwa
– 
hurumende kutengera varimi
pakugadzirisa matambudziko aya.
nemitengo yepamusoro
Zuva – kuita mishandirapamwe yekurima

2 Kukadzi 2020 Mhedziso

Nhanganyaya Ndinoda kukutendai zvikuru nekuungana


kwataita takatarisana nematambudziko
Pamusoroi vanoremekedzwa, Nhengo yeDare
atinosangana nawo sevarimi vekwaChivi.
reParamende, VaMoyo, mukuru wevarimisi,
Ndinovimba hurumende nemamwe mapoka
VaDube, masangano evarimisi ose vari pakati
akazvimirira achaisawo ruoko rwawo patiri
pedu nemi mose muri pano.
kuti tibudirire mune zvekurima.

5
Vose vatitsika mudunhu redu ndinoshuvira Murombo akabarwa ari zai regondo. Vabereki
kuti mufambe zvakanaka kudzokera kumizinda vake vakabva vatorwa nedenga mutsaona
yenyu. Vanosara saraiwo murugare. Ndatenda. yebhazi rekwaDzinemhuru iro rakanzvenga
mugwagwa munguva yezhizha ndiye ngondo
3. Rondedzero yetsumo ngondo muna Svisvi.
Pakunyora rondedzero – rondedzero inonzi Murombo akatopona panjodzi iyi nokuti musi
yakanaka inofanira kunge yakashandiswa uyu amai vake, VaMuchareva, vainge vamusiya
zvirungamutauro zvakasiyana-siyana zvakaita naambuya vake, VaChireranherera. Vabereki
setsumo, madimikira, nyaudzosingwi, enzaniso vake vainge vachienda kudhorobha reKwekwe
nefananidzo izvo zvinofanirwa kushandiswa kunotenga tunonaka sezvo vainge vatengesawo
panzvimbo yakakodzera kuti rondedzero tudonje twavo ndokupihwawo tumadhora
inakidze. twekuAmerica.
Parondedzero yetsumo, munyori anotarisirwa Kubva musi wachengetwa vabereki vake,
kunge achiziva zvinoreva tsumo yacho Murombo akasara ari mumaoko aambuya
nemazvo, kwete kufungidzira. Munyori vake VaChireranherera. Sezita ravo,
haafaniri kutapa nyaya yaakaverenga mubhuku VaChireranherera vaigona kurera nherera.
renganonyorwa. Nhendeshure, nhangirapakati, Murombo hapana chaaishaya ambuya vake
fungiramumwoyo nenhaurirano ndezvimwe vachiri panyika. Chikoro aipindawo sevamwe
zvidavado zvinokurudzirwa munyori vana. Mari yechikoro, mbatya dzechikoro,
kushandisa. Unotevera muenzaniso wemusoro mabhuku, mbuva nezvimwewo hapana
werondedzero yetsumo nemhinduro. chaishaya mukomana uyu. Ambuya vake
Gunde repwa rinonaka asi hariiswe mudura vaidikitira siku nesikati mubindu remuriwo
kuedza kuriritira wavo muzukuru, Murombo.
Iyi itsumo inoreva kuti muupenyu mune zvimwe
zvinhu zvinonatidza vanhu kwenguva pfupi Chero zvazvo ambuya vaishandira kuti
asi zvisingazovabatsire muupenyu. Tsumo Murombo awane dzidzo, iye pachake njere
iyi inozadzikiswa naMurombo uyo aishanda dzechikoro ainge akanyimwa neWedenga. Uropi
kuKwekwe. hwake yainge mvura chaiyo panyaya dzemabhii.
Chaakakwanisa kwaive kunyora zita rake
Ainge asiya mhuri yake kuGokwe nekuverenga mari chete. Zvisineyi, ambuya
ndokusvikodanana nependeke, Muchaneta, vake vakashingirira dakara apedze fomu
achikanganwa mhuri yake. Pakapera basa yechina kusekondari. Achingoti penzura pasi
Muchaneta akamuramba sembwa. tsve, Murombo akabva aberekana naRuvarashe
Muchaneta naMurombo vainge vave shiri uyo aiva nemutangatsapi uyo wainge woda
dzerudo, vachipedza nguva zhinji zvavo vari kutoponiwa. Vachizviti ba-a, VaChireranherera
kumafuramhepo. Rimwe zuva vari kuKariba uko vakati ose matsvene sezvo vaitodawo mubatsiri
vachisasana zvavo vachidya nokunwa tunonaka, pamba pavo nokuti mazuva avo ainge awanda
vaviri ava havana kuziva kuti midzimu yainge panyika. Chembere yakatengesa mbudzi, huku
yavafuratira kubasa kuKwekwe. nezviyo zvayo ndokunoroorera Murombo.

MuRungu paakangozviti fembu kuti Murombo Mushure memwedzi mishomashoma Ruvarashe


ainge oita zvekushanya kubasa, akabva angoti naMurombo vakapihwa kamhandara kavo.
chitupa chaMurombo chebasa pafafitera turikei.

6
Upenyu hwakatanga kuoma sedombo Murombo Sependeke, Muchaneta paakaona kuti gonzo
ndokubva afunga kuenda kudhorobha rateyewa nenzungu, akati dzawira mutswanda.
kunotsvaka basa. Semunhu aigona kushandisa Vaviri vakazongoerekana vava kugara vese
maoko uye simba, hazvina kumunetsa kuwana kuimba yebasa yaigara Murombo. Murombo
basa pakambani yaBen Muchena aibika akatapirirwa nerudo rwependeke, Muchaneta,
zvitinha. ndokurasa njere pachokwadi.

Murombo akashanda nesimba kwemwedzi Murombo akatanga kurovha kubasa


mishanu zvekuti Ben akafadzwa ndokubva achienda kumafuramhepo naMuchaneta.
amusimudzira kuva foromani. Kusimudzirwa Kumusha akapika kuti aisazotsikeyo sezvo
uku kwakawedzerawo mari yaaitambiriswa, Ruvarashe aisageza nekupfeka saMuchaneta.
waneyi Murombo amera mapapiro segurwe. VaChireranherera naRuvarashe vakatanga
Mbatya neshangu akatanga kupfekawo zvine vacharinga nzira nekuchaya runharembozha
mutupo. Idzo mbatya dzikati dzaimugara vachingonyeperwa kuti basa rainge rawandisa.
seakazvarwa nadzo. Ben akabva amupawo Vaviri ava vakati vaizongoonawo Murombo
kamotokari kuti akasire kuenda kubasa, imba paaizongouyira.
yekugara ichitevera. Veduwe-e, kutaurirwa
Murombo akatsika mafuta nechido chemwoyo
hunyimwa. Murombo aingofamba maoko akanzi
chake, Muchaneta, vakananga kuKariba. Haana
pfe-e muhomwe, mudzipanyota nga-a muhuro,
kuzivisa Ben, muridzi wekambani, nezverwendo
bhatye pabendekete, kana iri shangu yaivaima
urwu sezvo Murombo aive ozvitonga pakambani
sejombo remupurisa.
apa.
Paakapihwa motokari, kupera kwevhiki rega
Ben akarumwa nzeve nevamwe vashandi,
rega gosha vainge votsika mafuta vakananga
mwana wemuchena akafemera mudenga
kuna Svisvi, motokari yakati pa-a nezvidyiwa,
sendere. Haana kupedza nguva. Akatora
mbatya nezvinwiwa zvemhuri yake. Vegodo
makiyi ehofisi yake ndiye ndokuisa muhomwe
vakatsva mwoyo ikanyongodeka samarasha
yemukati mebhachi. Kumba kwaigara murombo
eHwange. Vemufaro vakapembera pamwe
akangosvika ndokuburitsa midziyo nembatya
naVaChireranherera naRuvarashe. Hapana
panze pegedhi, ndokukiya gedhi rake, ndiye
aiziva kuti muroyi, Muchaneta, aizoba rufaro
hutu kumba kwake.
netariro yemhuri iyi.
Pakazodzoka shiri dzerudo mbiri idzi
Rimwe zuva Murombo achidzokera kubasa
kumafuramhepo, vakawana zvinhu zviri
kuKwekwe, akati tsviriri motokari yake
manyama amire nerongo. Vakarohwa nehana
padhorobha reGokwe achida kutenga zvinwiwa
vachiona zvinhu zvavo zviri kunze kwegedhi.
zvinotonhorera ndiye mahwekwe nengirozi,
Akabvunza mupurisa aichengeta pamba apa,
nyeredzi chaiyo yemwana. Muchaneta
ndokuudzwa kuti Bhunu rainge rauya ziso riri
ainge akazvarwa pachokwadi, ganda rake
mhiripiri kutsvuka nehasha. Murombo akabva
rakatsetseka, maziso ake ainge akatenderera
aziva kuti midzimu yake yainge yamufuratira.
semwedzi wechirimo, mipimbira iri mirefurefu
seyehurekure. Kufamba aidovaira senjiva
mubani. Ziso raMurombo rakaramba kubva
pana Muchaneta.

7
Uyuwo Muchaneta paakangoona kuti muchero • pakumikidzo kana chingamidzo
wainge wakuva, haana kusweroti pamunhondo yetsamba nyora kuti Changamire.
pamusasa, akabva angoti twake kumbe kumbe, Usaisa zita remunhu nyangwe
ndiye muchovha waidarika nepamugwagwa uchimuziva.
misei, pindikiti, ndiye hutu, kwakaenda imbwa • donzvo – rinogona kusavapo
ndokwakaenda tsuro. nokuti kuvapo kwaro rikange rine
mhosho zvinoreva kuti kutoderera
Asati aenda, akaudza murombo pachena kuti
kwezvibodzwa asi harideredzi
hwavo ushamwari hwaive hwakasunganidzwa
zvibodzwa kana rikasavapo.
nemari chete. Sareiwo VaMurombo vangu
• magumo – zita remunyori neredzinza.
vangoduva sehuku yanaiwa.
Chimiro chekero
4. Tsamba
Mawadze Primary School
• Ichi chinyorwa chinonyorwa chichibva Private Bag 555
kune mumwe munhu chichienda kune Chivi
mumwe.
• Kune mhando mbiri dzetsamba – 28 Kukadzi 2022
tsamba yebasa netsamba yehama kana • Munyori webvunzo ngaashandise vara
shamwari. guru pana Private Bag nepana Post
Chimiro chetsamba yebasa Office Box.
• Zita renzvimbo, sokuti Chivi,
• kero mbiri – yemunyori neyekunoenda ngarinyorwe nevara guru chete
tsamba. pokutanga kwete kuti CHIVI.
• kero dzose dzinonyorwa kuruboshwe
kana zvaiitwa kare (kuisa kero Wonekano
yemunyori wetsamba kurudyi,
• Munyori, mushure memhedziso,
yemunhu achatambira tsamba
anogona kuoneka achiti: Ndini wenyu
kuruboshwe).
anovimbika/akavimbika/anotendeka/
• kero yekutanga ndeyemunyori
akatendeka.
wetsamba.
• Munyori ngaanyore zita rake
• wapedza kero yekutanga, siya mutsara
neremhuri asingaisi zvimiso.
wonyora zuva, mwedzi negore
• Zita rinonyorwa sezvizvi:
ranyorwa tsamba iyi.
• kero yechipiri ndeyekunoenda Ndini wenyu anovimbika
tsamba uye inoiswa chinzvimbo Makanaka Gwara
cheanotambira tsamba. • Kusaina hakuna basa, hakuwanise
zvibodzwa.
• Kero dzose hadziiswi zvimiso.

8
Heunoi muenzaniso wetsamba yebasa:
Nyora tsamba kugurukota rinoona nezveutano uchipa zvikonzero zviri kuita kuti utachiona
hunokonzera chirwere chedzihwamupengo hupararire. Ipawo mazano ezvingaitwe kuderedza
kupararira kweutachiona uhwu. [50]

Boarder Munaka Secondary School


Private Bag 515
Chivi

28 Kukadzi 2022

Gurukota rezveUtano neKurerwa kweVana


Post Office Box CY 1122
Causeway
Harare

Vanodiwa Changamire

Donzvo: Zviri kukonzera kupararira kweutachiona hunokonzera chirwere chedzihwamupengo uye


zvingaitwa kuderedza kupararira kweutachiona uhwu.

Ndanyora tsamba iyi nechinangwa chekutsanangura zviri kukonzera kupararira kweutachiona


hunokonzera dzihwamupengo uye ndichipawo mazano ezvingaitwa kuderedza kupararira
kweutachiona uhwu.
Chiri kunyanya kukonzera kupararira kweutachiona hunokonzera dzihwamupengo kuritaira
kunoita voruzhinji pose pose vasina kuvhara miromo nemhino dzavo nezviseketo zvakanaka
sezvinotarisirwa nesangano reutano repasi rose. Vamwe vanorembedza zviseketo zvavo semhete
dzomunzeve, vamwewo havatopfeke zvachose, nokudaro pavanohotsira paye utachiona hunozara
mumhepo inofema vamwe hwopembera mumhepo huchitsvaga pokugara zvahwo. Anenge
angohufema, hukangopinda mumuviri wake, hwatowana mukoko wekugara.
Chimwezve chinokonzera kupararira kweutachiona uhwu hunokonzera dzihwamupengo kugara
vanhu vakaungana sembudzi. Vanhu, mumadutavanhu umu nepamitsetse yepamabhanga, vanoswera
vakaungana panzvimbo dikidiki vachifemerana mweya. Pavanenge vakaungana semasvosve
mumwena kudai, ndipo vanofemerana vachiparadzirana utachiona uhwu.

Vanaguramatunhu ndivo vamwe vanokonzerawo kupararira kweutachiona uhwu, zvikuru sei vaye
vanotenga nekutengeserana. Vazhinji nhasi vopona nehwakumukwaku segunguwo, nokudaro vave
kunoshava kune dzimwe nyika uko vanoenda vonouya vakatakurana negachichi reutachiona.
Vanosvikohuti chii kuhama neshamwari dzinenge dzakazvizororera zvadzo kumusha.

Pakuedza kuderedza kupararira kweutachiona uhwu, vanaguramatunhu vose vanofanirwa


kuvhenekwa vasati vabuda nekupinda pamiganhu yenyika. Vanenge vabatwa vakatakura utachiona
uhwu ngavaiswe kwavo vega vachirapwa dakara vapora vozoenda kune vamwe.

Tsika namagariro edu ndizvo zvimwe zviri kukonzera kupararira kweutachiona uhwu, zvikuru
sei apo vanhu vanofarira kuona zviso zvevafi, kuungana nekumbundirana panhamo zvinova

9
zvinorambidzwa nebazi reutano. Zviito zvese izvi zvinorambidzwa nesangano rezveutano pasi
rose asi veruzhinji nanhasi uno vanoomesa misoro sezvigogodza vachisimbirira pazviito izvi.
Pakuungana, kumhoresana chishanu nekuona zvitunha ndipo veruzhinji vanofema nokukokota
utachiona hwedzihwamupengo iri, fume yangove hotsi hotsi.

Mukuedza kuderedza kupararira kweutachiona hunokonzera denda redzihwamupengo, veruzhinji


vanokurudzirwa kutevedzera mitemo yakatarwa nesangano rezveutano pasi rose. Kupfeka
zviseketo zvakanaka zvichivhara mhino nemuromo, kwete kurembedza pasi pechirebvu sebhera
remombe. Vanenge vabatwa vasina zvipfeko izvi neavo vanenge vasina kupfeka zvakanaka,
vanamugaradzakasungwa ngavaite basa ravo nemazvo, ngavasungwe nekubhadhariswa mazana
emadhora emari kuti vapfidze, vamwe voruzhinji vodzidza kubva pavari.

Kuderedza kupararira kweutachiona uhwu, vanhu ngavagare chinhambo chinokwana nhanho


mbiri dzemunhu mukuru, vakaparadzana kwete kumanikidzana panzvimbo imwe chete. Pangave
pachikoro, musvondo, pamutsara wezvitupa nepamidhuri yekujuruja mari, vanhu ngavamire
vakaparadzana.

Vaye vane shavi redzvatsvatsva, vanaguramatunhu, ngavafambe netsamba dzavo dzekubayiwa


nhomba yekudzivirira dzihwamupengo uyezve ngavavhenekwe pamiganhu yenyika dzose dzavanoda
kupinda nokubuda kwete kungovaregera vachingoti ngori munyika ivo vakatakura utata hunoruma
nevasina mhosva.

Dzimwewo tsika dzinodawo kugezwa nesipo setsvina kana dzichikonzera kurasikirwa neupenyu.
Tsika dzekubatana zvanza, kuona chiso chemufi nekumbundirana dzinoda kunzi tsve kwakadaro.
Tsika idzi ndidzo dziri kunyanya kukonzera kupararira kweutachiona nokudaro, madzisabhuku,
madzishe neveruzhinji ngavadzidziswe neveutano kuipa kwakaita tsika idzi maererano
nekupararira kweutachiona hwedenda redzihwamupengo. Nyasire dzinenge dzabatwa dzichiita izvi
ngadzibhadhariswe muripo unorwadza. Masabhuku kana madzishe ngavapihwe masimba ekusunga
vanhu ava.

Kugeza maoko nemvura ine sipo uye inochururuka zvinoderedza kupararira kwechirwere. Izvi
zvinorerutswa nekuisa mvura muzvigubhu nemumigomo yoiswa panzvimbo dzinosangana veruzhinji
pakaita sepazviteshi zvemabhazi, zvikoro nemikova yemahofisi. Chikurukuru chinokurudzirwa
nesangano reutano repasi rose maererano nekuderedza kupararira kweutachiona uhu nedenda iri,
kubayiwa nhomba inodzivirira nekuderedza marwadzo uye ndufu.

Veruzhinji vanokurudzirwa kubayiwa nhomba iyi sezvo iriyo yakaonekwa navanamazvikokota


vezveutano ichibatsira pakuderedza kutapurirana utachiona.

Ndinovimba mazano angu andakupakuriraiwo achabatsira zvikuru pakuderedza kupararira


kweutachiona hunokonzera dzihwamupengo.
Ndini wenyu anovimbika
Freeman Dube

10
CHITSAUKO 2 ZVIRUNGAMUTAURO

Zvirungamutauro zvakasiyana-siyana kubva


mundima dzavanenge vaverenga.
• MuChiShona munoshandiswa – Pakunyora pfupiso – vanyori
zvipande zvemutauro zvakasiya- vakaziva zvirungamutauro
siyana zvinonzi zvirungamutauro. nekuzvitsanangura vanoziva
• Zvirungamutauro zvakakosha nokuti nekukwanisa kunyora pfupiso
zvinopfumisa mutauro nokupa isina zvirungamutauro.
uchenjeri kuvanhu. Zvakakosha kuziva
• Zvirungamutauro zvinoumba tsika pazvinofanira kushandiswa
neunhu hwevanhu vanonzi vaShona nepazvisingashandiswi.
nokuti zvinoshandiswa pakuraira,
• Zvirungamutauro izvi zvinoita kuti
kutsiura uye kudzora vanhu vemazera
mutauro uve unonakidza kutaura
ose.
nekunzwa.
• Zvirungamutauro zvinogonawo
• Zvinosanganisira tsumo, madimikira,
kushandiswa panyaya dzokuumba
fananidzo, mazitadunhurirwa,
ukama dzakaita sekupfimbana apo
enzaniso nezvimwewo.
vakomana vanoshandisa mutauro
• Vanyori vebvunzo vanofanira
wakadzika-dzika unonyevenutsa
kuziva musiyano uri pakati
mwoyo yavadiwa.
pezvirungamutauro.
• Muupenyu hwavaShona,
zvirungamutauro zvaishandiswa Mhando dzezvirungamutauro
pakukurudzirana kugara vanhu vari
pamwe chete vakabatana. Tsumo
• Vanyori vebvunzo vanotarisirwa
Chii chinonzi tsumo?
nokusungirwa kugona kushandisa
zvirungamutauro panzvimbo Tsumo chirevo chine ungwaru chinotaura
dzakawanda muzvidzidzo zvavo zvakadzama nemazwi mashoma, chinoratidza
zveChiShona pakaita sepanotevera: zvinowanzoitika muupenyu, sokuti:
– Pakupindurwa kwenzwisiso (a) Mwana washe muranda kumwe.
– zvakakosha kuti (b) Bvupa jena rakabva munyama.
vanyori vebvunzo vazive
(c) Chati homu chareva.
zvirungamutauro pakupindura
mibvunzo inoda tsanangudzo (d) Mwoyo muti unomera paunoda.
dzezvirungamutauro. Mukunyatsoongorora tsumo dziri pamusoro,
Vanokwanisawo kugona dziri kutaura zvinhu zvakadzika napaduku.
kudomawo zvirungamutauro

20
• Fananidzo inoonekwa nechiwedzerwa – Meno ake mukaka chaiwo.
sa- nenhoredzerwa dzacho se- kana – Tawanda ibere pakukara.
so-. • Enzaniso inoshanda nechiwedzerwa
• Inogonawo kuonekwa nechiitogama chechindori /i-/ kana hwidzazwi/H/.
-nge, sokuti: • Cherechedzo: Vanyori vebvunzo
– anofamba kunge bhiza. vazhinji havazive musiyano uri pakati
– anodya kunge nguruve. pefananidzo neenzaniso, naizvozvo
vanofanira kugara vachidzidzira
• Vanyori vanotarisirwa: kunyora enzaniso nefananidzo kuti
– kugona kuzadzisa fananidzo. vazive musiyano.
– kuumba zvirevo zvefananidzo. • Vanyori vebvunzo vanotarisirwa:
– kunyurura fananidzo kubva
– kugona kuzadzisa zvirevo
mundima kana zvirevo.
neenzaniso yakakodzera.
Enzaniso – kuumba zvirevo vachishandisa
enzaniso.
• Enzaniso inogona kunzi fananidzosiri.
– kunyurura enzaniso kubva
• Uku kumisikidza zvinhu zviviri
mundima kana muzvirevo.
zvichienzaniswa, sokuti:
– Chenai imvumba pakurwa.

22
CHITSAUKO 3 MAZITA

Mazita Mazita aya ari mumupanda 7 uye chivakashure


chacho ndi/chi-/.
Chii chinonzi zita?
Sungawirirano yakafanana
Zita izwi rinoshandiswa kusheedza, kudaidza
kana kudoma chinhu, munhu, nzvimbo kana Kazhinji mazita ane sungawirirano yakafanana
midziyo, sokuti; muti, murume, Harare, mugoti. anopinda mumupanda mumwe chete, sokuti;

Maumbirwo emazita
Kambudzi kaya kabereka asi kadiki.
Kabhegi kawakatakura kaneyiko?
• Mazita anoumbwa nechivakashure Kapenzi kasvika kakapinda mumba kakatora
chezita nedzitsi rezita, seizvi: mari kakatiza.
Chivakashure chezita + Dzitsi rezita
Sungawirirano yemazita emupanda 12 ndi/ka-/.
ka- + -bhegi
chi- + -koro Zvaanoreva zvakafanana
mu- + -komana Kazhinji mazita anoreva zvakafanana anopinda
• Mazita akawanda sokuwanda mumupanda mumwe chete, sokuti;
kwakaita zvinhu kana kutodarika
• Mazita anoreva vanhu:
nokuti kune zvinhu zvine mazita
maviri kana kudarika sokuti; gudo, mukomana (1)
diro, dede uye bveni. musikana (1)
• Mazita anowanikwa ari muzvikwata murapi (1)
zvakasiyana. • Mazita enzvimbo dziri kure:
Nzira dzekuisa mazita mumipanda kumunda (17)
kurwizi (17)
Zvivakashure zvakafanana kure (17)
Mazita ane zvivakashure zvakafanana • Mazita anoreva mukati mechinhu:
anowanzopinda muchikwata chimwe chete, muziso (18)
sokuti; mumba (18)
chi- + -bage mukanwa (18)
chi- + -ngwa
chi- + -toro

23
Sungano youshoma nouwandu yakafanana 2 va- -kadzi vakadzi
v- -ana vana
Mazita ari muushoma mumupanda mumwe
2a Va- -Soko VaSoko
chete anogona kuzova muuzhinji mumupanda
va-/a- -sekuru vasekuru/
unotevera, sokuti;
asekuru
Mupanda Mazita 2b a– -mbuya ambuya
1 mukadzi murume musikana -mai amai
2 vakadzi varume vasikana Mupanda Chivakashure Dzitsi Zita
3 mutsvairo mukombe muti 3 mu- -ti muti
4 mitsvairo mikombe miti mw- -edzi mwedzi
5 banga badza demo 4 mi- -sawu misawu
6 mapanga mapadza matemo 5 (ri-) -kudo gudo
7 chikoro chitima chingwa 6 ma- -tanda matanda
8 zvikoro zvitima zvingwa 7 chi- -koro chikoro
12 kaharahwa kasikana kamwana ch- -oto choto
13 tuharahwa tusikana tuvana cha- -pupu chapupu
8 zvi- -koro zvikoro
Maumbirwo akafanana
zv- -ana zvana
• Mazita akaumbwa zvakafanana zva- -pupu zvapupu
anogona kupinda muchikwata chimwe 9 /N-/ -n’ombe n’ombe
chete. Ø- -shiri shiri
• Chivakashure + mudzi wechiito + i- -mba imba
nzvovera yokupedzisira 10 /N-/ -mbudzi mbudzi
Ø- -nyoka nyoka
Mupanda 1
dzi- -mba dzimba
mu- + -nhu
11 ru- -kova rukova
mu- + - rume
rwu- -kova rwukova
Mupanda 15 rw- -ana rwana
ku- + -taur- + -a 12 ka- -chira kachira
ku- + -mhany- + -a k- -ana kana
ku- + -vereng- + -a 13 tu- -sikana tusikana
ku- + -p- + -a twu- -sikana twusikana
Mupanda 17 tw- -ana twana
ku- + -seri 14 u- -pfu upfu
ku + -Buhera hu- -upfu hupfu
hw- -ahwa hwahwa
Mipanda yemazita 15 ku- -nyora kunyora
Mupanda Chivakashure Dzitsi Zita 16 pa- -musha pamusha
1 mu- -rume murume 17 ku- -nze kunze
mw- -ana mwana 17a Ø- -mberi mberi
1a Ø- -Rudo Rudo 18 mu- -dumbu mudumbu
Ø- -baba baba mu- -kirasi mukirasi
Ø- -tete tete

24
CHITSAUKO 4 ZVISAZITASINGWI

Zvisazitasingwi Maumbirwo echisazitasingwi


chemupanda
Chisazitasingwi izwi rinomirira zita kana
kushanda pamwe chete nezita, sokuti: Chitsigisi Chitaridzamupanda Nzvovera
/-o/
iye afamba. i- -v- -o
iye Tendai afamba. i- -ch- -o
i- -rw- -o
Mhando dzezvisazitasingwi
Mupanda Chisazitasingwi
Tine mhando mbiri dzinoti:
2 ivo
(a) Chisazitasingwi chedungamunhu
2a ivo
Chisazitasingwi Ushoma Uzhinji 2b ivo
Chemunhu wekutanga ini isu 3 iwo

Chemunhu wepiri iwe imi 4 iyo

Chemunhu wetatu iye ivo 5 iro


6 iwo
Maumbirwo echisazitasingwi
7 icho
chedungamunhu
8 izvo
Chitsigisi + Chitaridzamunhu 9 iyo

i- + -ni 10 idzo
11 irwo
i- + -su
12 iko
i- + -we
13 itwo
i- + -mi
14 ihwo
(b) Chisazitasingwi chemupanda 15 iko
 pa ndipo panopinda zvimwe
A 16 ipo
zvisazitasingwi zvemimwe mipanda kubva 17 iko
pamupanda 2 kusvika 21. 17a iko
18 imo
19 isvo
21 iro

28
CHITSAUKO 5 ZVIDUDZIRAZITA

Zvidudzirazita (b) Zviratidzi zvekure

Chidudzirazita chinotiudza zvakawanda Chitsigisi Chitaridzamupanda Nzvovera

pamusoro pezita kana chisazitasingwi. /-o/

Chinotsanangura pamwe nekududzira zita kana i- -dz- -o

chisazitasingwi zvakare. i- -sv- -o

Sokuti: musikana murefu (chipauro) a- -v- -o

musikana oga (chirevauwandu) u- -m- -o


musikana umwe (chiverengo) Mubvunzo
iye uyu (chiratidzi)
Ipa fanano uye siyano iri pakati pezviratidzi
iye upi (chisarudzi)
nezvisazitasingwi.
Zvidudzirazita zvinosanganisira zvipauro, Mhinduro
zvirevauwandu, zviverengo, zvirevamwene,
zviratidzi nezvisarudzi. Fanano

Zviratidzi – Zvese zvine chitsigisi panzvimbo


yechivakashure.
Chiratidzi chinogona kunzi chinongedzi. – Zviratidzi zvekure nezvisazitasingwi
Chinongedzi izwi rinotendeka nzvimbo inenge zvinoratidza mupanda zvine
ine chinhu kana munhu ari kutaurwa nezvake. maumbirwo akafanana.
Mhando dzezviratidzi Chitsigisi Chiratidzamupanda Nzvovera /–o/

(a) Zviratidzi zvepedyo a- -v- -o (chiratidzi)

(b) Zviratidzi zvekure i- -v- -o (chisazita)

Maumbirwo – Zvose zvine chiratidzamupanda kana


munhu seizvi:
(a) Zviratidzi zvepedyo
i- -ni (chisazitasingwi chedungamunhu)
Chitsigisi + Chiratidzamupanda
i- -ri (chiratidzi chepedyo)
Chitsigisi Chitaridzamupanda
i- -chi a- -vo (chiratidzi chekure)

a- -pa – Zvimwe zvisazitasingwi zvinoratidza


u- -yu mupanda zvakafanana nezviratidzi
zvekure.
i- -ri

30
Zvisarudzi Chiratidzamupanda Nzvovera Dzitsi
chechirevamwene inoshanduka rechirevamwene
Zvisarudzi zvinogona kunzi zvinan'aniri.
(-a-)
Zvinan'anuri zvinotsaura chinhu kubva pane
dz- -a- -baba
zvimwe.
zv- -e- -mba
Maumbirwo
w- -e- -mumba
Chivakashure chechisarudzi + Dzitsi
rechisarudzi Madzitsi ezvirevamwene
Mazita anogona kuve madzitsi ezvirevamwene,
Chivakashure Dzitsi rechisarudzi
sokuti:
chechisarudzi
munda watete.
va- -no
vakomana vemusango.
zvi- -ye
chikwambo chasekuru.
dzi- -pi?
chibage chemumhare.
• Zvisarudzi zvine madzitsi matatu motokari yewaya.
chete: -no, -ya/-ye, -pi? mukomana wemucheno.
• Zvinopindawo mumipanda bhora remadhende.
sezvinoitawo mazita asi
Zvidudzirazita zvose zvinogona kuva
zvichifambirana nemazita
madzitsi ezvirevamwene.
azvinodudzira.
• Zvisazitasingwi:
Mupanda Chisarudzi
1 upi?, uno, uye/uya rako.
2 vapi?, vano, vaye/vaya zvarwo.
5 ripi?, rino, riye • Chiitopauro:
7 chipi?, chino, chiye yevanondiziva.
8 zvipi?, zvino, zviye zvevanorwara.
Zvirevamwene rechakanaka.
• Chiratidzi:
Izvi zvine basa rokuratidza muridzi wechinhu.
Chirevamwene chine sungawirirano nezita yeava.
rachinodudzira uye chinoshandisa chivakashure zveichi.
chezita rachinodudzira. • Chiverengo:
zvemumwe.
Maumbirwo ezvirevamwene
dzepai.
Chiratidzamupanda (chiiswa) chechirevamwene chemumwe.
+ Nzvovera inoshanduka (-a-) + Dzitsi • Chisarudzi/chinan’anuri:
rechirevamwene chezviye.
zvevapi?
svavano.

33
• Chirevamwene: • Kuratidza muridzi wechinhu, sokuti:
zvevake. badza rababa.
kezvangu. bhaibheri raMufundisi.
chedzambuya. pfuti yasekuru.
• Chipauro: mushonga wen’anga.
dzevazukuru. huku dzake.
kekusakurisa. Mubvunzo
chemukuru.
Umba zvirevamwene uchishandisa
Basa rezvirevamwene sungawirirano yechirevamwene yakasiyana
pazwi roga roga.
• Kuratidza basa rechinhu, sokuti:
shamhu yokurovesa. isu chipo asinganzwi
mutsvairo wokutsvairisa. mumusha mberi zvitsvuku
imba yokugara. gumbo rako baba
chino mai mombe
• Kuratidza chakagadziriswa chinhu,
asekuru
sokuti:
kapu yedhaka. Mhinduro
bhora rechikumba. chedu rechino twemberi
• Kuratidza mhando yechinhu, sokuti: dzemumusha zvemombe svamai
mombe yemhou. yegumbo mechipo kaasekuru
sadza rezviyo. werako veasingazivi hwababa
• Kuratidza unhu/tsika, sokuti: pezvitsvuku
baba vekudhakwa.
Cherechedzo:
mukomana wembanje.
amai venyambo. • Kana wapihwa mubvunzo wakadai
usazodzokorora sungawirirano
• Kuratidza zviri mukati mechinhu,
yechirevamwene.
sokuti:
gaba redovi. Ukati zvedu pana isu
– 
bhegi remari. usazodzokorora zv- pana
chigubhu chemvura. mumusha, ukati zvemumusha
unenge watotadza.
bhegi remabhuku.
Zvakare ukati chegumbo
– 
• Kuratidza nguva: panagumbo ukazoti chemombe
hope dzechando. pana mombe unenge watadza.
mwana wemuhondo.
• Sungawirirano dzezvirevamwene
mwaka wemashuku.
dzakawandisa saka unongoshandisa,
• Kuratidza nzvimbo, sokuti: chakakosha kusadzokorora
vachenjeri vekumabvazuva. sungawirirano chete.
vasikana vekwaMereki.
vakomana vaenda kwaGutu.

34
CHITSAUKO 6 ZVINDORI

Zvindori • Nhoredzera /nda-/


– inobatana nemazita emupanda 2a
Zvindori mazwi anoburitsa chirevo asi chisina ne2b, sokuti:
chiito mukati, sokuti: nditete vake, itsori yangu.
ndavasekuru (2a) ndaamai (2b)
Chindori chirevo chisina chiito, saka mudzidzi
– inobatanazve nezviratidzi,
anotarisirwa kutanga aziva chiito kuitira kuti
zvisarudzi nezviverengo
agoziva pachinenge chisina kushandiswa.
zvemipanda 2 ne6 chete, sokuti:
Maumbirwo ezvindori
ndavamwe ndaava ndavapi (2)
Chiwedzerwa chechindori + Dzitsi rechindori ndaamwe ndaaya ndaapi (6)
ndi- + -baba • /nde-/ kana /ndo-/ inoshanda
i- + -garwe nezvidudziramazita zvose kusara
kwezvipauro, sokuti:
Mhando dzezviwedzerwa
ndeichi (chiratidzi).
zvezvindori
ndevanorwara (chidudziramuiti).
Zviwedzerwa zvezvindori zvinoti: /ndi-/, /i-/, ndepamwe (chiverengo).
hwidzazwi /H/ na/ha-/. ndokupi (chisarudzi).
Chiwedzerwa /ndi-/ ndedzangu (chirevamwene).
ndevose (chirevauwandu).
• Chinoshanda nemazita omupanda
1a, 2a, 2b nezvisazitasingwi zvose, Chiwedzerwa /i-/
sokuti:
Chinoshanda nemazita uye zvipauro
ndiRuvarashe (1a) zvemipanda 5, 9 ne10.
ndiVaMaphosa (2a)
idombo Zita mupanda 5 idema Chipauro
ndiambuya (2b) mupanda 5
ndini (chisazitasingwi) imombe Zita mupanda 9 itema Chipauro
ndizvo (chisazitasingwi) mupanda 9
ndiye (chisazitasingwi) ihuku Zita mupanda 10 itsvuku Chipauro
ndini (chisazitasingwi) mupanda 10

• /ndi-/ ine nhoredzera /nda-/, /nde-/


na/ndo-/.

36
CHITSAUKO 7 ZVIITO NEZVIDUDZIRAZVIITO

Zviito • Midzi yakakweretwa kubva kune


mimwe mitauro, sokuti:
Mudzi wechiito ku-sevenz-a (sebenza, Ndebele)
Mudzi wechiito ndicho chipande chechiito ku-chay-a (tshaya, Ndebele)
chisingashanduki kunyange nharaunda yechiito ku-dhiraivh-a (drive, English)
ikashanduka mamiriro, sokuti: ku-kiy-a (key, English)
• Midzi yakabva kune mamwe mazwi
-bik-
eChiShona, sokuti:
ku-bik-a
ku-svetuk-a (kubva
pa-ku-bik-a
kunyaudzosingwi svetu)
ku-bik-ir-w-a ku-pfupik-a (kubva kuchipauro
Tikacherechedza tinoona kuti mudzi /-bik-/ pfupi)
hausi kushanduka. ku-remar-a (kubva kuzita rema)
Mhando yemidzi yezviito • Midzi yezviito yakarebeswa, sokuti:

• Midzi yezviito ine vara rimwe chete, ku-chek-es-a


sokuti: ku-bik-ir-a

ku-p-a Mubvunzo
ku-d-a Nyurura midzi yezviito zvinotevera:
ku-b-a
(a) kuyaruka
• Midzi yezviito ine mavara akawanda,
(b) vanobva
sokuti:
(c) kuseka
ku-tamb-a (d) vadiwa
ku-nyor-a (e) musandizeza
ku-mhany-a (f) tambiswa
ku-vereng-a (g) kunzwana
ku-bay-a
Mhinduro
• Midzi yakadzokororwa, sokuti:
Kana munyori achipindura mubvunzo wakadai
ku-chem-a-chem-a
anofanira kuziva mudzi wechiito onyora mudzi
ku-tamb-a-tamb-a
chete.
ku-cher-a-cher-a

38
CHITSAUKO 8 MISAMBO YEMUTAURO

Misambo yemutauro • havatarisani kumeso.


• vanozvityora kana vachitaurirana.
• Musambo muChiShona matauriro, • vanopfugama kana kuchonjomara
mapfekero kana maitiro anoitwa (ambuya nemukwasha).
nemunhu kana achinge ari panzvimbo • vamwe vacho havakwazisani
dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, nemaoko: ambuya nemukwasha
kana muroora achitaura navatezvara vanotaura vachiomberana.
zvakasiyana nematauriro aanoita MuChiShona havabvumidzwi
achitaura natete hanzvadzi yemurume kukwazisana vachibatana maoko uye
wake. havabvumbamirani.
• Kana muroora achitaura navatezvara • vamwe vanofanirwa kupfeka mbatya
ane kuzvityora kwakaita dzinovhara muviri wose kana vari
sekusatarisana navo kumeso, panzvimbo imwe chete.
kutaura vachishevedzana nemitupo,
kupfugama nezvimwe. Kana Chinyarikani chinoshanda panzvimbo neukama
achitaura natete hanzvadzi yemurume zvinosanganisira:
wake vanogona kurovana maoko, • vabereki nevana.
havakudzani uye vanoita jee vose. • mukadzi nemurume.
• Izvi zvinoratidza kuti mutsika • ambuya nemukwasha.
nemagariro avaShona, vanhu vane • mumabasa – vashandi nemushandirwi.
matauriro, maitiro, mapfekero uye • mumakareke – vafundisi nevana
zvimwe zvinotarisirwa, zvinosiyana vesangano.
nenzvimbo nevanhu vavanenge • pakudavira nhare pamakambani.
vachitaura navo panguva dzakasiyana. • mumatare.
Mhando dzemisambo • vadzidzisi nevana/nevadzidzi.

MuChiShona mune mhando mbiri dzemusambo Muchinyarikani munowanikwawo musambo


dzinoti chinyarikani nechisekedzani. wechitorwa.

Chitorwa
1. Chinyarikani
Musambo uyu unoshandiswa nevanhu • Chitorwa musambo unoshandiswa
vanoremekedzana/vanokudzana. Vanhu nevanhu vasina ukama, vanhu
vanoshandisirana musambo uyu: vasingazivane, vanogona kunge
vangosangana kana kuti vanenge vari
• vanoshandisirana chisazitasingwi imi. vanhu vanozivana asi vari vatorwa
• vanoshandisirana mitupo nezvidawo vane kakuremekedzana.
pakudaidzana.

44
(d) Chiroora • Vanambuya navanasekuru ndivo
vanoraira vazukuru tsika namagariro
• Musambo uyu unoitwa pavaroora
evaShona.
namadzitete hanzvadzi dzevarume
vavo. Unonyanya kubuda pandufu. (f) Chivhevhano
Varoora vanotsvinyira kana kuti • Uyu musambo werudo kana kuti
kuitira jee madzitete. unoshandiswa vanhu vachipfimbana.
• Varoora vanotevedzera tsika dzomufi, • Vatauri vanoshandisa mazwi
zvakaita semapfekero kana matauriro akadzama.
nezvimwe zvaiitwa nemufi. • Vanoyevana nekuyemurana.
• Kugeza nekupfekedza mufi • Pakunotanga kupfimbana, musikana
vachitsvinyira chitunha. anonyebedzera kunyara mukomana
• Kukura nzira inoenda kuguva. asi achinge ada hapasisina kunyara.
• Kuchera mvura inoshandiswa kuguva. • Vakasununguka kutaurirana mazwi
• Kusvina ura hwechipfuyo chinenge avanonzwisisana avasingagoni
chaurawa. kutaurirana nevamwe.
• Kusunga makavi kana chimucheka • Vakasununguka kupfeka zvavanoda
chichena kuhama dzomufi zvichingodaro.
vachizosunungura mushure • Vanoshandisirana mazita
mekupihwa muripo. pakushevedzana uye vanoshandisa
(e) Chizukuru chisazitasingwi iwe.
• Uyu musambo unoshanda pakati Cherechedzo:
pemadzisekuru, madzimbuya
• Vanyori vebvunzo vanofanira kuziva
nevazukuru. Vanhu ava
musambo umwe neumwe nemazvo.
vanosekedzana pasina kunyarana.
• Vanofanira zvakare kuziva kuti
• Vazukurukomana vanotaura
musambo umwe neumwe une
zvakasununguka kuna vanasekuru
zvawakanakira uye une zvawakaipira.
navanambuya sezvo paChiShona
• Vanyori ngavakwanise kuratidza
vazukuru vachigona kugara nhaka
zvinhu zvave kuita kuti misambo
yasekuru.
yeChiShona itsakatike.
• Vazukurusikana vanonzi mudonzo
• Vanofanira kuziva kuti zita
wepwa navanasekuru saka
remusambo rinofanira kutanga nachi–
vakasununguka kutaura zvavanoda.
sokuti, chizukuru, chinyarikani,
• Mumusambo uyu vatauri
chishamwari zvichidero.
vanotenderwa kupfeka zvavanoda asi
zvinofanira kusara zvine chiremera.

46
WEDZERA GADZIRIRO YEBVUNZO (d) kana vanhu vambenge vachifamba
PAMISAMBO vose vosvika pakuparadzana. [1]
(e) pakutambira vanakomana vanobva
MIBVUNZO musango kunovhima vauya
“Makadii amai.” Akadaro Murenjekwa achirova nenyama. [1]
gusvi sezvo ainge asvika munzvimbo (f) pakuuchira mambo vagere padare
itsva yaaisazivikanwa. Akazvizivisa kuna pavo. [1]
VaChingweru vaainge asangana navo (g) pakupfuura nepanovhiiwa mombe. [1]
vachienda kutsime. VaChingweru vakabva (h) pakutambira vasikana vanobva
vamukwazisawo zvaive zvakadzikama kuhuni. [1]
vachinyatsomucherechedza. Murenjekwa (i) pakusangana nemunhu wavave
anovabvunza nzira yaienda kwaSabhuku nenguva musina kumboona. [1]
Mhukahuru uko aida kunotsvaka pekugara (j) pakupa mukadzi mari kana
munzvimbo yavo. Vaviri ava vanopesana chimwe chinhu chinoratida kuti
mushure mekunge VaChingweru vamuratidza haachadiwi. [1]
nzira yaienda kwasabhuku. [10]
3. (a) Patsika namagariro avaShona,
1. (a) Doma musambo wakashandiswa nyakufa anotukwa nekunemerwa
navaviri ava. [1] nevaroora somunhu mupenyu.
(b) Murenjekwa aitsvaka chii Rimwe gore imwe hwitakwi
munzvimbo iyi? [1] yerume payakanga yarara
(c) Chii chinobvunzwa kuna mubhokisi, yakanzi nomumwe
VaChigweru? [1] murooora, “Zvaunosisivadza
(d) Ndevapi vamwe vanhu vaigona dundundu uchiti, ‘Nyati
kupa Murenjekwa pokugara, imhenyu’, chimukaka tione uite
muupenyu hwavaShona? [3] zvaunozivikanwa nazvo nhasi
(e) Vanhu vave kushandisa nzira pano. Ini ndagadzirira.” Vanhu
dzemazuva ano kuti vawane vaive pamariro vakati pwati
nzvimbo dzekwavari kuenda. kuseka zvavo.
Doma nzira nhatu dziri
(i) Doma musambo
kushandiswa mazuvano nevanhu. [3]
wakashandiswa mundima iyi. [1]
(f) Ndechipi chinhu chinotanga kuitwa
(ii) Semaonero ako, ndohupi
naMurenjekwa paanosangana
ukama huripo pakati
naVaChingweru? [1]
pemushakabvu nanyakutaura? [1]
[10]
(iii) Doma mamwe mabasa matatu
2. Nyora mashoko angataurwa: anoitwa nevaroora parufu. [3]
(a) pakupinda mumunda mune vanhu (iv) Musambo washandiswa
vari kuita basa kana kusakura. [1] pachindima chiri pamusoro
(b) pakupfuura nepachivanze kana waive wakakosherei parufu
kupinda mumba muri kutsvairwa. [1] paupenyu hwavaShona? [2]
(c) pakusvika pamusha pazvarwa
mwana mutsva. [1]

47
BVUNZO 2
BVUNZO

PAPER 1
Nguva: Maawa maviri
RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO
Pindura mibvunzo yose.
Mibvunzo yose inofanira kupindurwa neChiShona chete.

CHIKAMU I: RONDEDZERO
1. Sarudza musoro mumwe chete pane yose yakapihwa. Chinyora rondedzero yemhando
yawasarudza nemazwi ari pakati pe450 ne500 kana kusvitsa mapeji mana.
(a) Ndezvipi zvingaitwe kuderedza kupararira kwedenda redzihwamupengo (covid-19)? [50]
(b) Nyora nyaya inoburitsa tsumo yokuti, “Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi.” [50]
(c) Wakokwa somuenzi anoremekedzwa pamakwikwi emitambo yakasiyana-siyana
inoitwa nevana vechikoro vabva kuzvikoro zvemudunhu renyu. Chinyora mashoko
auchataura pagungano iri vana vava kupihwa mibayiro yavo uchijekesa zvakakoshera
mitambo uye matambiro akanaka anofanira kuitwa kunyangwe vachikwikwidzana. [50]
(d) Nyora tsamba kugurukota redzidzo dzepuraimari nesekondari munyika yenyu
uchimutsanangurira matambudziko ari kusanganikwa nevana padzidzo uye
uchipawo mazano ezvingaitwe kupedza matambudziko aya. [50]
(e) Nyora hurukuru pakati pevakomana vaviri vari kukakavadzana pamusoro
pemagariro emumaguta. Mumwe anoti maguta angofanana nekumaruwa pamagariro
ari kuita vanhu mumwe achiti, upenyu hwemudhorobha hwakanaka. [50]
(f) Mafashamu [50]
(g) Zvakakoshera mishandirapamwe pamabasa ekurima. [50]

CHIKAMU II: NZWISISO NEPFUPISO


2. Nyatsoverenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo ichapihwa neChiShona chakanaka.
VaMarwira vakanga vakanyarara panguva yose iyi. Asi vakaona kuti nyaya yava kurerekera
kwavari ndokubva vapindura, “Amai vaChipo, hapana chakaipa chinoorera pasi. Mashiri
akauya tikamuudza zviri pamwoyo pedu. Zviri kwaari, inyere yake, ndiye achaziva kuti
inoridzwa sei. Zvinhu takagara takanganisa pakutanga. Nyaya yaifanira kuenda padare, zvino
takadzoka toita fungiramumwoyo. Pokupindukira hatichina. Musha wangu handitsipiki amai
vaChipo. Kudare kwandakambenge ndichareva handichakuendi pamusana pokuti Mashiri
atanga kujanyangura. Musha womwana wangu unoramba wakadaro. Mugoni wemuroyi igona
rake, musiye akadaro.”

“Aiparira pautsi. Vairidza mhururu, vaipembera, vachifara vakabatira makano mumaoko vaiti
vaitema nzou here? Iye nhasi zvapera.

56
BVUNZO
Nhasi aiva madziva, vana vachifarira kuti nhasi toenda kunokukuzva hove, aoma. Pofambwa
nemagwavava navanamudune. Vainyumbwira vachipesverwa nokudya kwavaipihwa nomwana
wangu, Tsuro haiponi rutsva kaviri; rwetatu yaiswa muhari.

Mashiri achandiona zvake ini mwana waMudyandimire.” VaMandisema vakanga vachipukuta


nzungu dzavakanga vakanga, dzavaida kuti vakuye dovi.

“Handina mwana anopisirwa guva ini. Ndiani wokurudzi kwake akafa achisvinwa mwana
mudumbu? Ndiani wokwake akafa achitongwa neyokuponda munhu? Kudzinde kwangu
hakuna. Mashiri haaifanira kutsvinya kudaro. Mwana handina kunhonga; ura hwangu,
mwoyo wangu neropa rangu. Yaiva huku here yavaitumburira pachivanze? Mashiri akabereka
nomwana wangu, asi nhasi ouya achindiridzira tsuri. Vakamutswa muduri sechibage, mwana
wangu akapera kusakara, kuzhwaranuka kudaro kushaya ruvara seanonzi akanga asingadyi.
Vakamuita gamburanwa asi nhasi ouya akapetera muswe mujira romwana wangu. Kana
paine chakamugara, chichabuda chichizvireva, kana huri uroyi hunovadariso vachachiona
chakagarisa huku mumusha. Ingozi here kana kuti kudada kunovadariso?

VaMandisema vakambomira vachitura mafemo. Vaifunga kuti murume wavo achavapindura


asi akaramba anyerere. “Vakandirinza musango mukadzi mukuru, kuraropumhaira nesango
ndichirwadziwa mwoyo ndichiti mwana wangu akadyiwa nezvikara, ndisingazivi kuti zvikara
zviri kuvedzenga nyama yazvo. Inga vakanaka zvavo. Upfumi here hunovadariso kuti vadye
vachitsetserera senguruve?”

“Hakusi kudada kana kuti upfumi, pane chakavagara,” Mudzimai wavo akanga opfikura,
zvitama zvachiti nyekete nemisodzi.

[Kubva muna Muchadura (1967), naRibeiro, E.]


(a) Ndivanani vari kutaurirana munyaya iyi? [2]
(b) Ndezvipi zvinhu zviviri zvikuru zvaishungurudza vatauri vari munyaya iyi? [2]
(c) Tsanangura zvinorehwa nendevo idzi sokushandiswa kwadzo munyaya iyi:
(i) Vakaona kuti nyaya yava kurerekera kwavari [2]
(ii) Tsuro haiponi rutsva kaviri [2]
(iii) Kupisa guva [2]
(iv) Vakamutswa muduri sechibage [2]
(v) Kutura mafemo [2]
(vi) Pane chakavagara [2]
(d) Ipa rimwe izwi riri mudima rinoreva zvimwe chetezvo neanotevera:
(i) pachivara [1]
(ii) kuvhiringa [1]
(iii) vaifara [1]
(iv) rudzi [1]
(e) Nyora pfupiso yenyaya iyi uchishandisa mazwi ako pachako asingadariki
makumi mashanu. [10]

57
BVUNZO 2
BVUNZO

PAPER 2
Nguva: Maawa maviri

CHIKAMU I: ZVIRUNGAMUTAURO
Pindura mibvunzo miviri kubva muchikamu chino.

1. Mazwi anotevera anonyorwa zvakafanana asi achireva zvinhu zvakasiyana. Sarudza mashanu
chete, ugoumba zvirevo zviviri zvinoreva zvakasiyana paizwi roga roga rawasarudza.
Muenzaniso: Doro
Mhinduro: (i) Tendai akatenga doro rakawanda nezuro.
(ii) Ambuya vamukira kunodzinga shiri kudoro remupunga.
(a) gota
(b) rara
(c) dura
(d) rima
(e) guru
(f) bara
(g) rinda [5]
2. Zadzisa zvirevo izvi neenzaniso yakakodzera. Sarudza zvirevo zvishanu chete.
Muenzaniso: Tarisai pakufamba ________ chairo.
Mhinduro: Tarisai pakufamba idzvatsvatsva chairo.
(a) Mazino aChenai ________ chaiwo pakuchena. [1]
(b) Takura ________ pakurwa. [1]
(c) Mwoyo wake ________ chairo kuoma. [1]
(d) Ruvheneko ________ chaiyo parunako. [1]
(e) ________ pakukara nyama. [1]
(f) ________ chairo pakukanganwa. [1]
(g) Tarusenga ________ pakuba zvinhu zvevamwe. [1]
[5]
3. Nyora tsumo dzinoreva zvakafanana nedzinotevera. Sarudza shanu chete.
Muenzaniso: Mbudzi kudya mufenje hufana nyina.
Mhinduro: Gavi rakabva kumasvuuriro.
(a) Chara chimwe hachitswanyi inda. [1]
(b) Mwoyo muti unomera paunoda. [1]
(c) Reva ishe wakakwira pachikomo. [1]
(d) Muzivi wenzira yaparuware ndiye mufambi wayo. [1]
(e) Akanga nyimo avangarara. [1]
(f) Kabva muzai kava kashiri. [1]

58
BVUNZO
(g) Mweni haaiswi mudura. [1]
[5]
4. Nyora manhamba anotevera neChiShona chakanaka.
Muenzaniso: 27
Mhinduro: Makumi maviri nenomwe.
(a) Mbudzi dzake 2240.
(b) Vanhu vakafa nechirwere chedzihwamupengo vanosvika 3 000 000.
(c) Akatenga chingwa che$7,00.
(d) Masoja akaburuka mumarori aiva 120.
(e) Vanhu vaive pamuchato vaisvika 1000.
(f) Akahwina rotari ye$884 000.
(g) Akabvisirwa $100 paakaroorwa.
[5]

CHIKAMU II: MISAMBO YEMUTAURO


Pindura mubvunzo unotevera.
5. (a) Kubva pamashoko anotaurwa kana vanhu vachibata maoko, doma matatu. [3]
(b) Nyora zvinhu zvitatu zvinoitwa navanhu vauya parufu. [3]
(c) Vanhu vemakore ano havachapi rufu chiremera charwaipihwa kare. Ratidza
zvinhu zvina zvasiyana nendufu dzakare. [4]
[10]

CHIKAMU III: MAUMBIRWO EMUTAURO


Pindura mibvunzo mitatu chete kubva muchikamu chino.

6. Nyatsoongorora mazita anotevera ugopindura mubvunzo unotevera uri pazasi pawo


tezvara chisi seri hwana
ruoko ziso chembere chipo
rwendo guyo huni Kuda
hwema mberi chanza kunyarara
changamire kuneta churu
Isa mazita ari mumupanda mumwe chete pawo oga. Ita izvi kusvikira wapedza ose. [10]
7. (a) Doma zita rechidudzirazita chimwe nechimwe chiri pazasi.
(i) zvose [1]
(ii) rupi [1]
(iii) vazhinji [1]
(iv) chii [1]
(v) vanoba [1]

59
BVUNZO

(b) Uchishandisa zvidudzirazita zviri pamusoro semienzaniso, tsanangura maumbirwo


echidudzirazita choga choga chine zita rawadoma. [5]
[10]
8. Muzvirevo zvinotevera mune zviito zvakarebeswa.
(a) Ndakavaona vachitukirirana patsime. [2]
(b) Akapetenura mupendero wenguwo yake. [2]
(c) Akabatwa achiba. [2]
(d) Nzungu dzambuya dzakadyarururwa nemuzukuru wavo. [2]
(e) Chawawana batisisa mudzimu haupe kaviri. [2]
Zvino iwe chipa:
(i) mudzi wechiito.
(ii) rebeso dzacho.
(iii) zita rerebeso yoga yoga.
[10]
9. Chiito choga choga chine mutsetse pazasi chiri mudonzvo ripi?
(a) Tsvagai chokwadi. [2]
(b) Tikabatana tingakunda. [1]
(c) Shandai nesimba mubudirire. [1]
(d) Pakisimusi tichange tichifara. [1]
(e) Vanoverenga vachabudirira. [1]
(f) Takachema tikanyarara. [1]
(g) Mwana ava kugara. [1]
(h) Anofamba sedzvatsvatsva. [1]
(i) Ngatinyorei bvunzo tinyerere. [1]
[10]

60
BVUNZO 8

BVUNZO
PAPER 1
Nguva: Maawa maviri
RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO
Pindura mibvunzo yose.
Mibvunzo yose inofanira kupindurwa neChiShona chete.

CHIKAMU I: RONDEDZERO
1. Sarudza musoro mumwe chete pane yose yakapihwa. Chinyora rondedzero yemhando
yawasarudza nemazwi ari pakati pe450 ne500 kana kusvitsa mapeji mana.
(a) Upfumi hwenyika huri muvhu. [50]
(b) Nyora tsamba kushamwari yako iri kudzidza iyo yakawirwa nedambudziko
rekufirwa nevabereki vose uchiipa mazano angaibatsire. [50]
(c) Nyora nyaya inodudzira tsumo yokuti, “Chenga ose manhanga hapana risina
mhodzi.” [50]
(d) Nyora hurukuro pakati pevasikana vaviri vari kukakavadzana pamusoro pekukosha
kwatete mumhuri. Mumwe anoti, tete vakakosha mumhuri mumwe achiti, vanatete
vemazuva ano ndidzo dzave mharadzi. [50]
(e) Barika [50]
(f) Nyora nyaya ine mashoko okuti, “Kubva zuva iri akazoziva kuti hama
hadzitsvinyirwe.” [50]
(g) Uri mukuru wedzidzo anotungamirira zvikoro zvakati wandei mudunhu renyu.
Nyora mhan'aro kugurukota rezvedzidzo uchitsanangura matambudziko akaunzwa
nechirwere checovid-19 kuvana nekudzidzo yavo uye uchipawo mazano ekuti
matambudziko aya angatapudzwa sei. [50]

CHIKAMU II: NZWISISO NEPFUPISO


2. Nyatsoverenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo neChiShona chakanaka.

Tanga akaoneka amai vake oenda kwaVaHaripotse. Akavati anodzoka nokukurumidza


kunyangwe zvake aitarisira kuti anogona kunopedza mazuva anenge akati kuti. Pfungwa
yakanga iri yokuti akadzamara apihwa kana kuti akadzamara apfurirwa pfumo obva ava
museve waenda neuma. Akanga asisadi kudzokera kumusha zvakare.

Akasvika paVaHaripotse achiri mangwanani vanhu vasati vapararira kumishando yakasiyana-


siyana. Angoona musha uyu, akabva atanga kufunga nezvaMunjai nokuti paiva pamusha
pake asi pamusana pokusviba mwoyo akakurumidza kubvisa pfungwa iyi mumusoro make.
VaHaripotse vakataurira vana vavo kuti vanonopedza mazuva vari musango naTanga
vachimutsvagira zvaaida.

91
BVUNZO

Vakavaudzazve kuti vakaona vanonoka kudzoka vanenge vaenda kumwana wavo musikana
kwavaisimbonopedza mazuva vari. Izvi hazvina kumboshamisa vana vavo nokuti ndiwo aive
maitiro avo.

Tanga naVaHaripotse vakarongedza tunhu twavo twavaida. Havana kutora upfu kana chii
zvacho chokukanda mumukanwa. VaHaripotse vakatora mapfumo avo maviri, mudonzvo
nedaunha. Tanga aive nekapfumo kake kainge komwana mudiki. Vakasimuka havo toro
vakananga nekumadzimbahwe. Tanga haana kuda kubvunza kwavaienda akanga achingotevera
sehwai. Musi waakatanga kuona kamukuru aka, aifunga kuti hakagoni kufamba asi zvavakanga
voenda zvakamushamisa kukaona kohwadaira iwo mudonzvo wakanzi papfudzi dzva.
Vakafamba zvokuti Tanga akanzwa makumbo kurwadza.

Zuva rava kuda kunyura, vakasvika pane chimwe chikomo chakanga chiri pedyo nekakova.
Vakatura midziyo yavo VaHaripotse ndokuzembera pamuti pfumo riri mumaoko. Tanga
akatema musasa, ndokusika moto, pashure akatora chiguchu onochera mvura. Nguva yose iyi,
VaHaripotse vakanga vamire zvavo nokuti somunhu mukuru vakanga vaneta. Tanga zvaaienda
kutsime nzara yakanga yoruma. Aingofunga zvokuti vanodyei sevanhu vakanga vauya vari
maoko. Ichokwadi kuti aisienda musango asi aisienda neupfu. Akachera mvura ndokudzokera
kumusasa.

Ava kuda kusvika pamusasa, akaona shumba yaisa makumbo mudenga ichiti rimwe pfumo
nepachityu apa rimwe nomumukanwa. Akambofunga zvokuda kutiza asi akanzwa izwi richiti,
“Rega zvako kutya.” Akachiti tarisei akaona ndiVaHaripotse. Zvakamushamisa zvikamushayisa
mate mukanwa nokuti haana kumbenge afunga kuti kaharahwa kapera zvakadai kangagona
kuuraya shumba.

“Unoziva kuti shumba iyi tabva nayo kupi? Tabva nayo kure chaizvo. Nguva yose iyi yanga
ichimirira kuti tirivare. Ndokusaka wandiona ndakazendama pamuti nepfumo mumaoko. Zvino
waonaka kuti kana uchifamba musango unofanira kungwara. Ndaibaya ichiri kwakadaro uko
nepfumo rokutanga asi unoziva kuti shumba ine simba nokudaro yaramba ichiuya. Yazoti
yava padyo, ikati yashama muromo nokushatirwa ndokubva ndaiti pfumo nomumukanwa
bvo-o ndokuti pasi zhi-i. Zvose izvi ndazviita nokuti ndinonzi Haripotse. Chikuriro changu
handisati ndambopotsa mhuka kana kubaya mhuka ikaenda. Unofunga kuti ndakazvarwa
ndakadaro? Kwete hazvisi izvo, ndakatodzidza. Vanhu vazhinji vanofunga kuti ndine muti
wemudzi. Wangu muti kugara ndichikanda pfumo. Ndinokuudza mwana wasahwira ukanzwa
zvandinoreva uchava murume chaiye. Zvizhinji ndichakuratidza kana tasvika kwatiri kuenda.

Ava mangwana, vakafumomukirana narwo rwendo rwavo. Kuzoti zuva rachiti kata, Tanga
akanzwa mabvi kurera nenzara nokuti vakanga vavata vasina chavakakanda mukanwa. Mwana
akakungura shumba iye yakanga yauraiwa naVaHaripotse.

[Pfumo reropa (1961), naPatrick Chakaipa, Longman]

(a) Chii chakafambirwa naTanga kwaVaHaripotse? [1]


(b) VaHaripotse vaive ani wababa vaTanga? [1]
(c) Ndezvipi zvakataurwa naVaHaripotse zvisina kushamisa vana vavo? [1]

92
BVUNZO
(d) Nemhaka yei harahwa iyi yakapihwa zita rokuti Haripotse? [1]
(e) Madimikira anotevera anorevei sekushandiswa kwaakaitwa mundima?
(i) Vauya vari maoko [2]
(ii) Kushaisa mate mukanwa [2]
(iii) Kusviba mwoyo [2]
(f) Ipa chikonzero chakaita kuti VaHaripotse vazendame pamuti nepfumo mumaoko. [1]
(g) Ipa tsananguro yemashoko aya sekushandiswa kwaakaitwa mundima:
(i) museve waenda neuma [2]
(ii) mumukanwa bvo-o [2]
(iii) achingotevera sehwai [2]
(iv) kukaona kohwadaira [2]
(h) Chii chakaita kuti Tanga anyanyoshamiswa nekuuraiwa kwakaitwa shumba
naVaHaripotse? [1]
(i) Nyora pfupiso yenyaya iyi nemazwi ako asingapfuuri makumi mashanu. [10]

93
BVUNZO 8
BVUNZO

PAPER 2
Nguva: Maawa maviri

CHIKAMU I: ZVIRUNGAMUTAURO
Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.

1. Sarudza madimikira mashanu chete ugoumba zvirevo zvinoburitsa zvaanoreva.


Somuenzaniso: kudya magaka neminzwa yawo
Mhinduro: Taruza akadya magaka neminzwa yawo paakabata murume wake nechifeve.
(a) kurova guva [1]
(b) kushaya mbereko [1]
(c) kutsindira mwena unobuda ishwa [1]
(d) kuseura gotsi [1]
(e) kukanda tsoka [1]
(f) kufambira dhongi rakaora [1]
(g) kudzika midzi [1]
[5]
2. Mutauro weChiShona une nzira yekudimikira uchirerutsa zviitiko zvakasiyana zveupenyu
kana kuita kuti zvitaurike zvine mutsigo. Nyora mashoko anoshandiswa pakurerutsa zviitiko
zvakadomwa pasi.
Muenzaniso: kusazvara mwana
Mhinduro: kushaya mbereko
(a) kuzvara mwana [1]
(b) kufa [1]
(c) kuva nenhumbu/mimba [1]
(d) kusvodza [1]
(e) kuchembera [1]
(f) kupenga [1]
(g) kurwara [1]
[5]
3. Kubva muzvirevo zvinotevera, nyurura nyaudzosingwi dzakashandiswa. Nyurura
shanu chete.
(a) Ndakati dzvutei maheu ndokunokora mutakura waive mundiro. [1]
(b) Paakangoti fambe fambe akaita mahwekwe nenzou. [1]
(c) Pamba pavo paive pakanzi gonhi dhwa-a. [1]
(d) Chidhakwa chakati kochono gedhi ndokudzadzarika naro. [1]
(e) Bere rakati huwi-i kumatanga emombe tikavhunduka. [1]
(f) Paakaona nyoka ichiti pindikiti mumwena hana yake yakarova. [1]

94
BVUNZO
(g) Akati cheu kutarisa kwaibva ruzha ndokutanga kumhanya. [1]
[5]
4. Sarudza tsumo shanu kubva pane dzinotevera, zvino chitsanangura zvinoreva imwe
neimwe yawasarudza.
(a) Chawawana batisisa mudzimu haupi kaviri. [1]
(b) Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa. [1]
(c) Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro. [1]
(d) Rinonyenga rinohwarara rinosimudza musoro rawana. [1]
(e) Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto. [1]
(f) Rine manyanga hariputirwi mumushunje. [1]
(g) Kakara kununa hudya kamwe. [1]
[5]

CHIKAMU II: MISAMBO YEMUTAURO


Pindura mubvunzo unotevera.

5. Tavarwira paakasvika patsime, mwoyo wake wakanyevenuka paakaona Rudo.


Akakumbira mvura yokutuvidza nyota yake. Rudo akachera nemukombe ndokumupa
achipfugama. Tavarwira akazosvitsa shoko rerudo, asi Rudo akatsika madziro.
Akazotaurira Tavarwira kuti kana airevesa mashoko ake, aifanirwa kuzotevera
kwatete vake VaMuchazvidii.
(a) Kubva pachindima ichi, doma musambo wekutaura washandiswa. [1]
(b) Ndevapi vamwe vanhu vaibatsira panyaya dzekupfimbana kunze kwegwevedzi? [3]
(c) Doma nzvimbo yaisangana vakomana nevasikana pasichigare. [1]
(d) Doma unhu nemaitiro aRudo anoyemurika pamusambo uyu. [2]
(e) Tsanangura musiyano wavapo padzvetsva ranhasi nerepasichigare. [3]
[10]

CHIKAMU III: MAUMBIRWO EMUTAURO


Pindura mibvunzo mitatu chete kubva muchikamu chino.

6. Kubva pamadzitsi anotevera, nyora mazita ari mumupanda yakapihwa.


(a) -endo 10
(b) -sikana 5
(c) -ana 11
(d) -shasha 14
(e) -seri 16
(f) -ando 3
(g) -bhora 17
(h) -mba 9
(i) -tura 13
(j) -iso 6

95
BVUNZO

(k) -chembere 5
(l) -tongo 21
(m) -famba 15
(n) -nyoka 9
(o) -dya 15
(p) -goti 4
(q) -eni 1
(r) -ino 6
(s) -uru 8
(t) -pasa 12
(u) -rume 19 [10]
7. Nyatsoverenga chindima chiri pazasi ugopindura mibvunzo inotevera.
 ona ana gona wakewo. Iyi itsumo yakagara iriko kubva kare. Vakuru vedu
G
vakaishandisa kutsanangura kuti shasha inogona kuwana imwe shasha inoikurirawo.
Ndiwo magariro saka vanhu vazhinji gatigare tichiziva izvi muhana dzedu mazuva ose.
Kubva muchindima ichi, ratidza zvinotevera:
(a) zvirevamwene zviviri [2]
(b) zvindori zviviri [2]
(c) zviratidzi zviviri [2]
(d) zvipauro zviviri [2]
(e) zita romupanda 9 rimwe chete [1]
(f) chirevauwandu chimwe chete [1]
[10]
8. (a) Nyora zvirevo zvitanhatu zvine rebeso dzakasiyana uchishandisa chiito -gara. [6]
(b) Kubva pachiito vakadyarurura ratidza zvinotevera:
(i) mudzi wechiito
(ii) rebeso yechiito
(iii) zita rerebeso [4]
[10]
9. Nyora zvirevo zvishanu uchishandisa zvidudzirazviito zvinotevera:
(a) cheudzamu [2]
(b) chemuiti [2]
(c) chefanano [2]
(d) chenguva [2]
(e) chechombo chakashandiswa [2]
[10]

96
MHINDURO
MHINDURO

(iv) Chivhevhano.
(v) Chinyarikani.
WEDZERA GADZIRIRO (b) (i) Sekuru nemuzukuru.
(ii) Babamukuru nemuramu/mainini.
YEBVUNZO PAMISAMBO (iii) Vagarisani.
(iv) Mukomana nemusikana vari
1. (a) Chitorwa.
murudo.
(b) Aitsvaga nzvimbo yepekugara.
(v)  Mutongi wedare nemupari
(c) Anobvunza nzira yekuenda kumusha
wemhosva.
wasabhuku.
(d) Ishe/ sadunhu/ mambo. 5. (a) (i) Godo/ ruvengo/ ruchiva/
(e) Mamepu/ chiratidza nzvimbo kukara/ barika/ kushomeka
chepamafoni (GPS)/ kambasi. kwezvokushandisa.
(f) Anovakwazisa. (ii)  Kutungamidza rudo pane
2. (a) Vabati/ vabasa. zvose/ kuremekedzana/
(b) Pamusoroi. kupanana mikana pakutaura/
(c) Makorokoto/ machena. kuremekedza kodzero/ kuwana
(d) Nzira dzarwa. dzidziso pamusoro pekugarisana
(e) Vadzimba/ hombarume. kwakanaka.
(f) Dzenyama chirombowe. (b) (i) Kuombera/ kuuchira.
(g) Chishava pavarume. (ii) Kuvakwazisa.
(h) Titure. (iii) Kusimuka wopa vakuru
(i) Vemakore. pekugara.
(j) Hero gupuro. (iv) Kubva panzvimbo igere vakuru
vachikurukura.
3. (a) (i) Chiroora
(ii) Mutauri: maiguru/mainini 6. (i) Kuganza kunoita mainini/ kunemerana/
Mushakabvu: babamudiki/ kusvotesana/ kusekana.
babamukuru. (ii) Pasichigare chiramu chaive
(iii) Kusakura kumakuva/ kubika/ chekutandadzana, kupanana mazano,
kunemera/ kutsvaira nzira kutsiurana pamaitiro akashata uye
inoenda kumakuva. change chisina bonde asi nhasi
(iv) Kuvaraidza vafi/ kurerutsa rufu. uno chave kupfurikidzisa mwero
(b) (i)  Kusekerera munhu achibata zvokusvika pakuenda pabonde.
maoko. (iii) Yainge yakanaka pakuti yaisimbisa
(ii) Kuchema/ kudemba/ kupa ukama/ kupa mukana wekupangana
mashoko okunyaradza vafirwa. mazano mukutamba.
Yainge yakaipira pakuti vamwe
4. (a) (i) Chizukuru.
varume kana vakadzi vaitora mukana
(ii) Chiramu.
vobva vaita zvebonde nevaramu.
(iii) Chinyarikani.

110
MHINDURO
7. (a) Chinyarikani. (iv) Minda yavakanzi vachapihwa.
(b) Mitupo nezvidawo. (d) 
Kupopota/ ruzha/ hasha/ rudo rwega/
(c) Mutupo: Gumbo. bishi/ bongozozo/ mheremhere/
Chidawo: Madyirapazhe. mitsara/ hasha bedzi/ mabvumira/
(d) Kusimuka achitaura zvinyadzi mahon’era/ tsumo/ madimikira.
zvavakanga vaita pane vanhu/ (e) (i) ruzha.
kuchema/ kusabata zvairehwa nababa (ii) mudonzvo.
vake. (iii) kubhadhara.
(e)  Vamwe vava kugadzirisana (iv) mhosva.
semhuri pasina kuendesana kudare/ (f) 
Kuvhara kwekambani nekuda
kuendesana kumatare edzimhosva kwekuoma kwezvinhu/ kuwanda
ekuti murume abvise mari yekuriritira kwavanhu vane dzidzo yepamusoro
mwana/ kugadziriswa nevafundisi zvisingaenderani nekukura
vekereke kana vakuru vekereke.
kweupfumi hwenyika/ kusarudza
mabasa.
BVUNZO 1: PAPER 1 (g) Pfupiso
– mudetembi anotsanangura
CHIKAMU II: NZWISISO NEPFUPISO zvaanoti inhetembo nezvisiri
nhetembo.
2. (a) 
Sekuru vari kumakura vari – zvanzi nhetembo hadzisi ruzha,
kunyunyuta nekuda kwekusauya bishi, hasha, rudo kana mitsara
kweivhu ravakavimbiswa/ amai vari – hadzisi zvirungamutauro.
kurwadziwa nekuda kwekurwara – hanzi nhetembo zvinhu.
kwemwana wavo/ mukoma vari zvisingaonekwe kana.
kushaiwa basa mushure mekunge kunzwikwa navazhinji.
vapedza dhigirii payunivhesiti/ – dziri pamusoro pevakwegura
pfambi inokuvara ichitiza mapurisa vane tariro isina kuzadziswa.
uye kurohwa nechikomba chichiramba – dziri pamusoro pekurwarirwa.
kubhadhara/ muchairi wekombi – dzinotaura pamusoro pedzidzo.
anoverenga mari achiteerera rwiyo – dziri pamusoro pekushaikwa
achimhanyira chingwa kuchiteshi/ kwemabasa.
mupurisa ari kutsvaga kuita huori – dzinotaura nezvemagariro
pamugwagwa/ kutaura navanhu/ mudhorobha kusanganisira
munhu asingaoni uyo asisiri kupihwa pfambi nevatyairi vemakombi.
rukudzo mumabhazi/ ndini newe – dzinotaura nezvehuori
(munhu wose). hwemapurisa.
(b) Gwe, gwengwendere, gwedebu. – dzinotiudzazve
(c) (i) Kugara nguva refu wakamirira nezvekusaremekedzwa kwevane
chimwe chinhu. urema.
(ii) Kuondoroka nekurwara.
(iii) Kutaura zvakanyanyisa.

111
BVUNZO 1: PAPER 2
MHINDURO

Muenzaniso wezvinganyorwa nemunyori:


 arisai akaramba akati nde-e kutarisa amai
T
CHIKAMU I: ZVIRUNGAMUTAURO vake avo vaive nechiso chakati unauna
nekuda kwekunyimwa mari yechikwereti
1. (a) Dindingwe rinonaka richakweva
chavo chaiva namai Tapiwa. Mai Tapiwa
rimwe kana rokweviwa roti mavara
vakazongoerekana vati nenzira tande
angu azara vhu.
vakananga kwamai Tapiwa. Vachisvika
(b) Kure kwegava ndokusina mutsubvu.
pagedhi repamba pamai Tapiwa vakangoti
(c) Mhembwe rudzi inozvara mwana ane
tomu padanda raivapo ndokupinda
kazhumwi.
muchivanze.
(d) Mbeva zhinji hadzina marise/mashe.
(e) Nyoka huru haizvirume. Akabva ati ziro kunyarara ari
(f) Tsuro haipone rutsva kaviri. mundangariro dzake oga, akangoerekana
(g) Gudo guru peta muswe kuti vadiki ati mhere kwetsu. Pasina nguva
vakutye/ Charovedzera charovedzera akazongoti simu ndiye toro nenzira asina
gudo rakakwira mawere kwasviba/ waambooneka.
Chinokura chinokotama musoro
CHIKAMU II: MISAMBO YEMUTAURO
wegudo chave chinokoro.
2. (a) Munhu ane makaro. 5. (a) Chivhevhano/ chipfimbano.
(b) Munhu akareba uye akasimba (b) Kunyemwerera/ kukwazisa/ kunyara
zvikuru. nekumuyemura/ kutaura mashoko
(c) Munhu anoswera ari mumba. erudo/ kuimba.
(d) Munhu anoda madzimai zvakanyanya. (c) Kutuma gwevedzi/ kunyora tsamba/
(e) Munhu anogara akarongedza mbatya kupotera kuna vatete kana mbuya
dzake achitarisira kufamba. vaMarwei.
(f) Munhu anoswera achingofamba (d) Kutsime/ kuhuni/ kumitambo
(g) Munhu anopa zvikurusa/ munhu yemanheru yejenaguru/ kunhimbe
asinganyimi. kana kumajakwara.
3. (a) Kusanyara zvikuru.
CHIKAMU III: MAUMBIRWO
(b) Kupopota zvikuru.
EMUTAURO
(c) Kuteerera zvikuru.
(d) Kutarisira chinhu. 6. (a)  (i) 
mu- wemupanda 3 ndewemazita
(e) Kukumbira kumunhu asina ezvinhu zvakarebenuka sokuti,
chaanacho. mugwagwa, munda, uye muti
(f) Kufa. Unodomawo mazita emiti sokuti:
(g) Kuvengana zvikuru. mushanje, mutiti, mutohwe.
Unorevazve midziyo sokuti:
4. Munyori ngaanyore ndima yaanozvifungira
mugoti, musika, mubato.
pachake. Akasanyora ndima akanyora
zvirevo anenge akanganisa. mu- wemupanda 18 unoreva
mukati menzvimbo kana mukati
mechinhu, sokuti: mugomo,
mumba, mumunda, mumugoro.

112
MHINDURO
(ii)  va- wemupanda 2 unoreva mumupanda mumwe chete
uwandu hwemazita emupanda sezvinotevera:
1 uchipa mazita evanhu kana Ushoma Uzhinji
mabasa evanhu, sokuti: vakoti,
vana, vasikana, vaeni, vadzidzisi. murume (1) varume (2)
va- wemupanda 2a unoreva musikana (1) vasikana (2)
ruremekedzo kuvanhu, sokuti mugoti (3) migoti (4)
vatete, vatezvara, VaMawarire. muti (3) miti (4)
(iii) ku- wemupanda 15 unoreva Sungawirirano yakafanana
zviito, sokuti: kufamba, kuba,
Mazita ane sungawirirano yakafanana
kugara, kuvata.
anopinda mumupanda mumwe chete,
ku- wemupanda 17 unodoma
sokuti:
nzvimbo, sokuti: kuHarare,
Mombe dzadya mumunda. (10)
kuChinhoyi, kumba.
Mbudzi dzapinda mudanga. (10)
(b) Zvivakashure zvakafanana Gore rinouya rinoratidza kujeka. (5)
Guru randadya rinonaka. (5)
Mazita ane zvivakashure zvakafanana
anopinda mumupanda mumwe chete, 7. (a) 
Chiratidzi chepedyo uye
sokuti: chisazitasingwi chemupanda
ma- + -iso (6) Chiratidzi Chisazitasingwi
ma- + -zai (6) chepedyo chemupanda
ichi itwo
Kureva zvakafanana
urwu irwo
 azita anoreva zvakafanana
M aya imo
anopinda mumupanda mumwe chete, iyi ipo
somuenzaniso: (b) Maumbirwo echiratidzi chepedyo
mazita ose emumupanda 1 anoreva
Chitsigisi + Chiratidzamupanda
munhu mumwe chete, sokuti:
i- -chi
murume, musikana, mwana.
i- -ri
Mazita emupanda 15 anoreva zviito,
Maumbirwo echisazitasingwi
sokuti: kudya, kufamba.
chemupanda
Mazita emupanda 17 anoreva
nzvimbo, sokuti: kure, kumba, Chitsigisi Chiratidzamupanda Nzvovera

kuchikoro. /-o/
i- -tw- -o
Sungano yeuwandu neushoma i- -m- -o
yakafanana
8. (a) ndousinayo, inyanzvi, ndiyo.
 azita ari muushoma anopinda
M (b) hombarume, mhuka, tsumo, nyanzvi
mumupanda mumwe chete, kana (c) vazhinji, muuya.
azoiswa muuzhinji anopindazve (d) munoendwa, inotsanangurwa,
anokwanisa
(e) wepwere.

113
MHINDURO

9. Munyori ngaanyore zvirevo zvinoburitsa (e) Pfupiso


rebeso dzapihwa muChiShona chakanaka – VaMarwira naVaMandisema
sezvinotevera: vari kukurukura pamusoro
(i) Akamurovera mwana wake. pemwanasikana wavo
(ii) Simba naTinashe vakabatana maoko. akapondwa.
(iii) Munda wavo wakarimwa. – Mashiri ndiye akanga
(iv) Ndaitya kutyaira motokari Tendai akamuroora.
akandishingisa. – Mashiri anovatsvinyira mhuri
(v) Mutunhu uyu unomhanyika. yaanga akaroorera.
(vi) Amai vanditukira kunonoka kubva –  nyaya haina kuenda kudare kuti
kuchikoro. igadziriswe.
(vii) Tichadyarurura chibage chakaramba – Mashiri anoda kuroora mumwe
kumera magwana. mudzimai guva risati rarohwa.
– vabareki vemufi havafari nazvo.
BVUNZO 2: PAPER 1 – vari kutsidza kuomesera mashiri
nezvaari kuvaitira.
CHIKAMU II: NZWISISO NEPFUPISO

2. (a) 
VaMandisema naVaMarwira/murume BVUNZO 2: PAPER 2
nemudzimai wake.
(b) 
Kupondwa kwemwana wavo/ CHIKAMU I: ZVIRUNGAMUTAURO
kutsvinyirwa nevakauraya mwana
1. (a) 
Tarisai akabva kubuda mugota
wavo/ kusagadziriswa kwenyaya
mwedzi wakapera.
yekufa kwemwana wavo padare
Tarisai amukira kugota moto nokuti
(c) (i) Vakanga voda kupihwa mhosva
kwanga kuchitonhora.
ivo
(b) Nhonga rara iro ukande mugomba.
(ii) Munhu haarambe achipunyuka
Rara zvakanaka usaite mavato.
pamhosva dzake.
(c) Mudura masara tuzviyo tushoma.
(iii) Kuroora kana kuroorwa guva
Mbuya vake vadura kuti vanoroya.
remufi risati rarohwa.
(d) Nhasi kunze kune rima.
(iv)  Vakamuuraya/vakamuponda
Rima ukohwe ugowana chokudya.
zvinorwadza.
(e) Atenga dhirezi guru.
(v) Kumbozorora kutaura.
Nhasi manheru tiri kudya neguru.
(vi) Pane zvinovakanganisa maitiro
VaMutasa vane guru, mukadzi
kana mafungiro/ pane mweya
wechipiri akauya mwedzi wapera.
wakaipa unoita kuti vaite
(f) Abara mwana musikana.
zvakaipa.
Bara repfuti rakapferenyura pagumbo
(d) (i) dare
reshumba.
(ii) kujanyangura
(g) Rinda makudo asadya mumunda.
(iii) vachipembera
Rinda rasekuru vangu rakavakirwa
(iv) dzinde
mwedzi wapfura.

114

You might also like