Professional Documents
Culture Documents
APA To Shona O Level Revision
APA To Shona O Level Revision
ar y notes
• With summ
bus objectives
covering sylla
d el Z IM SEC questions
• M o
and answers
Shona
'O' Level Revision
ring
ar y notes cove
• With summ
ives
syllabus object and
d el Z IM SEC questions
• M o
answers
Published by:
Secondary Book Press Private Limited
4th Floor, CABS Centre Building,
Cnr Jason Moyo & 2nd Street,
Harare, Zimbabwe
Tel: +263 242 771 406 | +263 242 753 201
Mobile: +263 712 560 870 | +263 788 954 870
Email: sales@secondarybookpress.co.zw
Website: www.secondarybookpress.co.zw
ISBN: 978-0-7974-8543-3
Acknowledgements
The publisher would like to express heartfelt appreciation and thanks to the following contributors; Usayi
Andrew, Mawarire Precious, Dube Abigail and Homela Lydia. Their contribution and devotion are recognised
in making this publication a success.
Every effort has been made to trace the copyright holders. In the event of unintentional omissions or errors,
any information that would enable the publisher to make the proper arrangements will be appreciated.
All rights reserved. No part of this publication may be reproduced, stored in a retrieval system, or transmitted
in any form or by any means, electronic, mechanical, photocopying, recording or otherwise, without prior
permission of the copyright owner.
Zviri mukati
Bvunzo 1............................................................................................................................................... 50
Bvunzo 2............................................................................................................................................... 56
Bvunzo 3............................................................................................................................................... 61
Bvunzo 4............................................................................................................................................... 67
Bvunzo 5............................................................................................................................................... 72
Bvunzo 6............................................................................................................................................... 79
Bvunzo 7............................................................................................................................................... 85
Bvunzo 8............................................................................................................................................... 91
Bvunzo 9............................................................................................................................................... 97
Bvunzo 10............................................................................................................................................. 103
Mhinduro............................................................................................................................................. 110
Nhanganyaya
i
Panopera bvunzo idzi, mudzidzi achasanganazve Kushandisa nguva zvine uchenjeri pakupindura
nechikamu chine bvunzo pamusoro pemisambo mibvunzo inofanira kupindurwa zvinoda
kuwedzera ruzivo rwake pamusoro pechikamu kuchenjererwa nemunyori webvunzo.
ichi. Zviri kwaOdzi ndizvo zviri kwaSave, bvunzo
Mudzidzi anotarisirwa kuverenga onzwisisa
dzemisambo idzi dzinewo mhinduro yadzo iyo
zvitsauko zvose zviri mubumbiro reChiShona
inodzoreredzazve mudzidzi kuti arambe ari
kwete kusimbirira zvitsauko zvaanoona sekuti
mugwara.
anofarira achisiya zvimwe nekuti zvitsauko zvose
Mapepa ebvunzo zvinobvunzwa pabvunzo dzake.
ii
• Ziva mhando dzerondedzero dzose. kupindurwa yose, mudzidzi haapiwi
• Yeuka manyorerwo epfupiso uye mukana wokusarudza mibvunzo
rangarira kusadarika uwandu yekupindura.
hwemazwi akatarwa. • Ziva mipanda yose nemo nemo nokuti
• Zvakakosha kuziva chikamu ndiwo mavambo okuziva Maumbirwo
cheMashandisirwo eMutauro nokuti eMutauro; chinova chikamu
mibvunzo yechikamu ichi inofanira chokupedzisira.
iii
CHITSAUKO 1 RONDEDZERO NENZWISISO
1
Sokuti: • Chipauro kana chikadzokororwa
dzitsi chete chinonyorwa
–
Mudzidzi achasangana
riri izwi rimwe chete sokuti,
nezvisazitasingwi muchikamu
chitematema.
chinotevera kwete kuti Izvo
• Chipauro chikadzokororwa
zvisazitasingwi, mudzidzi
chinonyorwa seizwi rimwe chete
achasangana nazvo muchikamu
sokuti, refurefu kana dikidiki.
chinotevera.
• Chirevauwandu nechiverengo
–
Tapiwa atumwa naKerinah kwete
zvinonyorwa zvakapatsanurana
Atumwa naKerinah ndiTapiwa.
sokuti, chimwe chimwe, chimwe
Cherechedzo: Munyori wenhetembo ndiye chete kana choga choga.
ane mvumo yekuronga mazwi muzvirevo • Namatidzwa inobatanidzwa
sekuda kwake (poetic licence) asi mudzidzi nezwi sokuti, endazve.
kana munyori webvunzo anotarisirwa • Nyaudzosingwi dzikadzokororwa
kushandisa urongwa hwadomwa pamusoro. dzinonyorwa dzisina chisungazwi
sokuti, nyore nyore, fare fare.
(d) Kubatanidza nekupatsanura mazwi
• Zviito zvine mudzi
zvisizvo
wakadzokororwa
Mitemo yebatanidzo yemazwi zvinopatsanurwa nechisungazwi
inotevera: sokuti, kutamba-tamba,
• Zita rikadzokororwa richireva kufamba-famba.
zvimwe chete rinonyorwa (e) Kushandisa vara diki pachinzvimbo
sezvizvi: pedo pedo. chevara guru
• Zita rikadzokororwa asi richireva
Unyanzvi hwekuziva pekushandisa vara
pfungwa yakasiyana neyokutanga
guru nediki hwakakosha pakunyora
rinonyorwa seizwi rimwe chete,
rondedzero. Vanyori vebvunzo
sokuti: mesomeso, mheremhere.
vanofanira kuziva pekushandisa vara
• Zita rikadzokororwa dzitsi chete
guru nediki, sokuti:
rine nyaudzira dzisingadariki
mbiri rinonyorwa sezvizvi: ChiShona kwete Chishona kana
usikusiku. chiShona.
• Zita rikadzokororwa dzitsi Musiyadzasukwa (zitadunhurirwa) kwete
chete padzokororwa pane musiyadzasukwa.
nyaudzira dzinodarika mbiri
(f) Zvimiso
rinoiswa chisungaizwi, sokuti
chamuhwande-muhwande. Zvakakosha kuziva pekushandisa
• Mazitaumbiridzwa kana zvimiso murondedzero.
mazitadunhurirwa anonyorwa
riri zita rimwe chete sokuti,
Musiyadzasukwa.
2
(g) Chiturabefu Zvakakosha pakunyora rondedzero
yetsananguro
Hachifaniri kuteverwa nezwi rine
chibatanidzi, sokuti: Ndakatenga mombe, • Chekutanga kuverenga wonzwisisa
mbudzi nehuku kwete Ndakatenga musoro wapihwa, woona kuti
mombe, mudzi, nehuku. unonzwisisa nezvawo here musoro
wacho kana kuti kwete.
(h) Chindaguma
• Rondedzero yako inotarisirwa
Kana pfungwa ichinge yakazara kuva nenhanganyaya, mutumbi
panoiswa chindaguma asi panogonawo nemhedziso.
kuiswawo semi-colon kana katyamadzo, • Nhanganyaya inofanira kutsanangura
sokuti: musoro werondedzero uye kubudisa
dzimwe pfungwa dzichabatwa
Semi-colon: Bepa rino rine zvikamu
mumutumbi werondedzero.
zviviri zvinoti: Rondedzero neNzwisiso.
• Ndima imwe naimwe ngaitakure
Tarisa kwauri kuenda, unotsika moto
pfungwa yayo, ichitsanangurwa
iwe!
zvizere. Uyu ndiwo mutumbi
Mitemo inowanikwa muBumbiro remanyorerwo, werondedzero unotakura pfungwa
1967. Mitemo iyi yakavandudzwa kubva muna dzemurondedzero.
Magwa W (1999). • Mhedziso yakakosha pakupeta
pfungwa dzabuda murondedzero.
Mhando dzerondedzero
Yambiro pakunyora rondedzero
1. Tsananguro yetsananguro
2. Tsamba
3. Nyaya • Tsanangura nemazvo musoro
4. Nhaurwa werondedzero uchibudisa pfungwa
5. Hurukuro dzinoratidza kuti unonzwisisa chinhu
6. Mhan’aro chauri kutsanangura nezvacho.
• Kujekesa pfungwa dzauri kupa
1. Rondedzero yetsananguro murondedzero, ipa mienzaniso
Iyi imhando yerondedzero inoda kuti munyori yakakodzera.
webvunzo atsanangure pamusoro pemusoro • Tanga kunyora pfungwa dzine
wapihwa achiratidza ruzivo pamusoro pechinhu udzamu dzaunoona kuti dzinokupa
chaanzi atsanangure. zvibodzwa zvakawanda.
• Usanyurura nyaya yawakamboverenga
Pamhando yerondedzero iyi ndipo panouya mune chimwe chinyorwa.
misoro yakaita sokuti: Kukosha kwemasabhuku
munharaunda, Zvingaitwa kuderedza Rondedzero yezwi rimwe chete
dambudziko revana vari kuita pamuviri Imhando zvakare yerondedzero yetsananguro
vachiri vadiki kana Musambo wemumhanzi nokuti inoda kuti mudzidzi atsanangure
unokufadza. zvakazara pamusoro pezwi rapihwa.
3
Muenzaniso: ukama, nzara, barika • Zviri kudzorera dzidzo kumashure
4
sokuti: P
amusoroi ..., Mangwanani Ini ndinonzi Abel Mukaka, mumiriri wevarimi
akanaka ..., mudunhu reChivi South. Ndinoda kurudunura
(ii) Munyori webvunzo ngaashandise matambudziko atiri kusangana nawo uye
izwi remutauri rekutanga sokuti: Ini ndichikumbirawo rubatsiro rwatinotarisira
ndauya pano ... kubva kuhurumende nemasangano
(iii) Munyori webvunzo, sezvo ari iye akazvimiririra oga.
mutauri, ngaakwazise gungano riripo
Mutumbi
sezvo kwaziso ichipa ruremekedzo.
Pakukwazisa apa ngaatange Munyori webvunzo anotarisirwa kunyora
nevakuru achienda nezvinzvimbo matambudziko akaita seaya:
zvinoremekedzwa zvevaripo
– k ushaikwa kwemvura mudunhu
pagungano.
reChivi
(iv) Munyori ngaabudise chinangwa
– kufirwa nezvipfuwo
cheungano iripo. Zvakare zuva
– kudhura nekushaikwa kwembeu
ngaribude, sokuti: Nhasi; Chitatu 28
muzvitoro
Kukadzi ...
– kutengerwa zvirimwa nemutengo
(v) Pakutsanangura pfungwa imwe
wakaderera
neimwe zvakazara uye zvinogutsa
– kuondomoka nekuchereka
ndipo pane mutumbi werondedzero.
kwemigwagwa
(vi) Mutauri achinge apedza anotarisirwa
– kushaya ruzivo pamusoro pembesa
kupa mazwi ekutenda kuvateereri.
dzokurima
Muenzaniso womubvunzo
Zvingaitwa kugadzirisa matambudziko:
Uri mumiriri wedunhu renyu, nyora mashoko
–
hurumende kubatsira nembeu
auchataura pagungano revarimi richaitwa
nefetiraiza
mudunhu renyu uchitsanangura matambudziko
– kudzidzisa varimi nezvekurima
ari kusangana nevarimi uye rubatsiro rungadiwa
–
kuchengetedza uswa nemashanga
pakugadzirisa matambudziko aya.
zvokuzopa zvipfuwo munguva
Musoro yechirimo
–
kuvaka madhamu nekuchera
Matambudziko ari kusangana nevarimi
zvibhorani kuitira madiridziro
vekwaChivi uye rubatsiro rungadiwa
–
hurumende kutengera varimi
pakugadzirisa matambudziko aya.
nemitengo yepamusoro
Zuva – kuita mishandirapamwe yekurima
5
Vose vatitsika mudunhu redu ndinoshuvira Murombo akabarwa ari zai regondo. Vabereki
kuti mufambe zvakanaka kudzokera kumizinda vake vakabva vatorwa nedenga mutsaona
yenyu. Vanosara saraiwo murugare. Ndatenda. yebhazi rekwaDzinemhuru iro rakanzvenga
mugwagwa munguva yezhizha ndiye ngondo
3. Rondedzero yetsumo ngondo muna Svisvi.
Pakunyora rondedzero – rondedzero inonzi Murombo akatopona panjodzi iyi nokuti musi
yakanaka inofanira kunge yakashandiswa uyu amai vake, VaMuchareva, vainge vamusiya
zvirungamutauro zvakasiyana-siyana zvakaita naambuya vake, VaChireranherera. Vabereki
setsumo, madimikira, nyaudzosingwi, enzaniso vake vainge vachienda kudhorobha reKwekwe
nefananidzo izvo zvinofanirwa kushandiswa kunotenga tunonaka sezvo vainge vatengesawo
panzvimbo yakakodzera kuti rondedzero tudonje twavo ndokupihwawo tumadhora
inakidze. twekuAmerica.
Parondedzero yetsumo, munyori anotarisirwa Kubva musi wachengetwa vabereki vake,
kunge achiziva zvinoreva tsumo yacho Murombo akasara ari mumaoko aambuya
nemazvo, kwete kufungidzira. Munyori vake VaChireranherera. Sezita ravo,
haafaniri kutapa nyaya yaakaverenga mubhuku VaChireranherera vaigona kurera nherera.
renganonyorwa. Nhendeshure, nhangirapakati, Murombo hapana chaaishaya ambuya vake
fungiramumwoyo nenhaurirano ndezvimwe vachiri panyika. Chikoro aipindawo sevamwe
zvidavado zvinokurudzirwa munyori vana. Mari yechikoro, mbatya dzechikoro,
kushandisa. Unotevera muenzaniso wemusoro mabhuku, mbuva nezvimwewo hapana
werondedzero yetsumo nemhinduro. chaishaya mukomana uyu. Ambuya vake
Gunde repwa rinonaka asi hariiswe mudura vaidikitira siku nesikati mubindu remuriwo
kuedza kuriritira wavo muzukuru, Murombo.
Iyi itsumo inoreva kuti muupenyu mune zvimwe
zvinhu zvinonatidza vanhu kwenguva pfupi Chero zvazvo ambuya vaishandira kuti
asi zvisingazovabatsire muupenyu. Tsumo Murombo awane dzidzo, iye pachake njere
iyi inozadzikiswa naMurombo uyo aishanda dzechikoro ainge akanyimwa neWedenga. Uropi
kuKwekwe. hwake yainge mvura chaiyo panyaya dzemabhii.
Chaakakwanisa kwaive kunyora zita rake
Ainge asiya mhuri yake kuGokwe nekuverenga mari chete. Zvisineyi, ambuya
ndokusvikodanana nependeke, Muchaneta, vake vakashingirira dakara apedze fomu
achikanganwa mhuri yake. Pakapera basa yechina kusekondari. Achingoti penzura pasi
Muchaneta akamuramba sembwa. tsve, Murombo akabva aberekana naRuvarashe
Muchaneta naMurombo vainge vave shiri uyo aiva nemutangatsapi uyo wainge woda
dzerudo, vachipedza nguva zhinji zvavo vari kutoponiwa. Vachizviti ba-a, VaChireranherera
kumafuramhepo. Rimwe zuva vari kuKariba uko vakati ose matsvene sezvo vaitodawo mubatsiri
vachisasana zvavo vachidya nokunwa tunonaka, pamba pavo nokuti mazuva avo ainge awanda
vaviri ava havana kuziva kuti midzimu yainge panyika. Chembere yakatengesa mbudzi, huku
yavafuratira kubasa kuKwekwe. nezviyo zvayo ndokunoroorera Murombo.
6
Upenyu hwakatanga kuoma sedombo Murombo Sependeke, Muchaneta paakaona kuti gonzo
ndokubva afunga kuenda kudhorobha rateyewa nenzungu, akati dzawira mutswanda.
kunotsvaka basa. Semunhu aigona kushandisa Vaviri vakazongoerekana vava kugara vese
maoko uye simba, hazvina kumunetsa kuwana kuimba yebasa yaigara Murombo. Murombo
basa pakambani yaBen Muchena aibika akatapirirwa nerudo rwependeke, Muchaneta,
zvitinha. ndokurasa njere pachokwadi.
7
Uyuwo Muchaneta paakangoona kuti muchero • pakumikidzo kana chingamidzo
wainge wakuva, haana kusweroti pamunhondo yetsamba nyora kuti Changamire.
pamusasa, akabva angoti twake kumbe kumbe, Usaisa zita remunhu nyangwe
ndiye muchovha waidarika nepamugwagwa uchimuziva.
misei, pindikiti, ndiye hutu, kwakaenda imbwa • donzvo – rinogona kusavapo
ndokwakaenda tsuro. nokuti kuvapo kwaro rikange rine
mhosho zvinoreva kuti kutoderera
Asati aenda, akaudza murombo pachena kuti
kwezvibodzwa asi harideredzi
hwavo ushamwari hwaive hwakasunganidzwa
zvibodzwa kana rikasavapo.
nemari chete. Sareiwo VaMurombo vangu
• magumo – zita remunyori neredzinza.
vangoduva sehuku yanaiwa.
Chimiro chekero
4. Tsamba
Mawadze Primary School
• Ichi chinyorwa chinonyorwa chichibva Private Bag 555
kune mumwe munhu chichienda kune Chivi
mumwe.
• Kune mhando mbiri dzetsamba – 28 Kukadzi 2022
tsamba yebasa netsamba yehama kana • Munyori webvunzo ngaashandise vara
shamwari. guru pana Private Bag nepana Post
Chimiro chetsamba yebasa Office Box.
• Zita renzvimbo, sokuti Chivi,
• kero mbiri – yemunyori neyekunoenda ngarinyorwe nevara guru chete
tsamba. pokutanga kwete kuti CHIVI.
• kero dzose dzinonyorwa kuruboshwe
kana zvaiitwa kare (kuisa kero Wonekano
yemunyori wetsamba kurudyi,
• Munyori, mushure memhedziso,
yemunhu achatambira tsamba
anogona kuoneka achiti: Ndini wenyu
kuruboshwe).
anovimbika/akavimbika/anotendeka/
• kero yekutanga ndeyemunyori
akatendeka.
wetsamba.
• Munyori ngaanyore zita rake
• wapedza kero yekutanga, siya mutsara
neremhuri asingaisi zvimiso.
wonyora zuva, mwedzi negore
• Zita rinonyorwa sezvizvi:
ranyorwa tsamba iyi.
• kero yechipiri ndeyekunoenda Ndini wenyu anovimbika
tsamba uye inoiswa chinzvimbo Makanaka Gwara
cheanotambira tsamba. • Kusaina hakuna basa, hakuwanise
zvibodzwa.
• Kero dzose hadziiswi zvimiso.
8
Heunoi muenzaniso wetsamba yebasa:
Nyora tsamba kugurukota rinoona nezveutano uchipa zvikonzero zviri kuita kuti utachiona
hunokonzera chirwere chedzihwamupengo hupararire. Ipawo mazano ezvingaitwe kuderedza
kupararira kweutachiona uhwu. [50]
28 Kukadzi 2022
Vanodiwa Changamire
Vanaguramatunhu ndivo vamwe vanokonzerawo kupararira kweutachiona uhwu, zvikuru sei vaye
vanotenga nekutengeserana. Vazhinji nhasi vopona nehwakumukwaku segunguwo, nokudaro vave
kunoshava kune dzimwe nyika uko vanoenda vonouya vakatakurana negachichi reutachiona.
Vanosvikohuti chii kuhama neshamwari dzinenge dzakazvizororera zvadzo kumusha.
Tsika namagariro edu ndizvo zvimwe zviri kukonzera kupararira kweutachiona uhwu, zvikuru
sei apo vanhu vanofarira kuona zviso zvevafi, kuungana nekumbundirana panhamo zvinova
9
zvinorambidzwa nebazi reutano. Zviito zvese izvi zvinorambidzwa nesangano rezveutano pasi
rose asi veruzhinji nanhasi uno vanoomesa misoro sezvigogodza vachisimbirira pazviito izvi.
Pakuungana, kumhoresana chishanu nekuona zvitunha ndipo veruzhinji vanofema nokukokota
utachiona hwedzihwamupengo iri, fume yangove hotsi hotsi.
Dzimwewo tsika dzinodawo kugezwa nesipo setsvina kana dzichikonzera kurasikirwa neupenyu.
Tsika dzekubatana zvanza, kuona chiso chemufi nekumbundirana dzinoda kunzi tsve kwakadaro.
Tsika idzi ndidzo dziri kunyanya kukonzera kupararira kweutachiona nokudaro, madzisabhuku,
madzishe neveruzhinji ngavadzidziswe neveutano kuipa kwakaita tsika idzi maererano
nekupararira kweutachiona hwedenda redzihwamupengo. Nyasire dzinenge dzabatwa dzichiita izvi
ngadzibhadhariswe muripo unorwadza. Masabhuku kana madzishe ngavapihwe masimba ekusunga
vanhu ava.
Kugeza maoko nemvura ine sipo uye inochururuka zvinoderedza kupararira kwechirwere. Izvi
zvinorerutswa nekuisa mvura muzvigubhu nemumigomo yoiswa panzvimbo dzinosangana veruzhinji
pakaita sepazviteshi zvemabhazi, zvikoro nemikova yemahofisi. Chikurukuru chinokurudzirwa
nesangano reutano repasi rose maererano nekuderedza kupararira kweutachiona uhu nedenda iri,
kubayiwa nhomba inodzivirira nekuderedza marwadzo uye ndufu.
10
CHITSAUKO 2 ZVIRUNGAMUTAURO
20
• Fananidzo inoonekwa nechiwedzerwa – Meno ake mukaka chaiwo.
sa- nenhoredzerwa dzacho se- kana – Tawanda ibere pakukara.
so-. • Enzaniso inoshanda nechiwedzerwa
• Inogonawo kuonekwa nechiitogama chechindori /i-/ kana hwidzazwi/H/.
-nge, sokuti: • Cherechedzo: Vanyori vebvunzo
– anofamba kunge bhiza. vazhinji havazive musiyano uri pakati
– anodya kunge nguruve. pefananidzo neenzaniso, naizvozvo
vanofanira kugara vachidzidzira
• Vanyori vanotarisirwa: kunyora enzaniso nefananidzo kuti
– kugona kuzadzisa fananidzo. vazive musiyano.
– kuumba zvirevo zvefananidzo. • Vanyori vebvunzo vanotarisirwa:
– kunyurura fananidzo kubva
– kugona kuzadzisa zvirevo
mundima kana zvirevo.
neenzaniso yakakodzera.
Enzaniso – kuumba zvirevo vachishandisa
enzaniso.
• Enzaniso inogona kunzi fananidzosiri.
– kunyurura enzaniso kubva
• Uku kumisikidza zvinhu zviviri
mundima kana muzvirevo.
zvichienzaniswa, sokuti:
– Chenai imvumba pakurwa.
22
CHITSAUKO 3 MAZITA
Maumbirwo emazita
Kambudzi kaya kabereka asi kadiki.
Kabhegi kawakatakura kaneyiko?
• Mazita anoumbwa nechivakashure Kapenzi kasvika kakapinda mumba kakatora
chezita nedzitsi rezita, seizvi: mari kakatiza.
Chivakashure chezita + Dzitsi rezita
Sungawirirano yemazita emupanda 12 ndi/ka-/.
ka- + -bhegi
chi- + -koro Zvaanoreva zvakafanana
mu- + -komana Kazhinji mazita anoreva zvakafanana anopinda
• Mazita akawanda sokuwanda mumupanda mumwe chete, sokuti;
kwakaita zvinhu kana kutodarika
• Mazita anoreva vanhu:
nokuti kune zvinhu zvine mazita
maviri kana kudarika sokuti; gudo, mukomana (1)
diro, dede uye bveni. musikana (1)
• Mazita anowanikwa ari muzvikwata murapi (1)
zvakasiyana. • Mazita enzvimbo dziri kure:
Nzira dzekuisa mazita mumipanda kumunda (17)
kurwizi (17)
Zvivakashure zvakafanana kure (17)
Mazita ane zvivakashure zvakafanana • Mazita anoreva mukati mechinhu:
anowanzopinda muchikwata chimwe chete, muziso (18)
sokuti; mumba (18)
chi- + -bage mukanwa (18)
chi- + -ngwa
chi- + -toro
23
Sungano youshoma nouwandu yakafanana 2 va- -kadzi vakadzi
v- -ana vana
Mazita ari muushoma mumupanda mumwe
2a Va- -Soko VaSoko
chete anogona kuzova muuzhinji mumupanda
va-/a- -sekuru vasekuru/
unotevera, sokuti;
asekuru
Mupanda Mazita 2b a– -mbuya ambuya
1 mukadzi murume musikana -mai amai
2 vakadzi varume vasikana Mupanda Chivakashure Dzitsi Zita
3 mutsvairo mukombe muti 3 mu- -ti muti
4 mitsvairo mikombe miti mw- -edzi mwedzi
5 banga badza demo 4 mi- -sawu misawu
6 mapanga mapadza matemo 5 (ri-) -kudo gudo
7 chikoro chitima chingwa 6 ma- -tanda matanda
8 zvikoro zvitima zvingwa 7 chi- -koro chikoro
12 kaharahwa kasikana kamwana ch- -oto choto
13 tuharahwa tusikana tuvana cha- -pupu chapupu
8 zvi- -koro zvikoro
Maumbirwo akafanana
zv- -ana zvana
• Mazita akaumbwa zvakafanana zva- -pupu zvapupu
anogona kupinda muchikwata chimwe 9 /N-/ -n’ombe n’ombe
chete. Ø- -shiri shiri
• Chivakashure + mudzi wechiito + i- -mba imba
nzvovera yokupedzisira 10 /N-/ -mbudzi mbudzi
Ø- -nyoka nyoka
Mupanda 1
dzi- -mba dzimba
mu- + -nhu
11 ru- -kova rukova
mu- + - rume
rwu- -kova rwukova
Mupanda 15 rw- -ana rwana
ku- + -taur- + -a 12 ka- -chira kachira
ku- + -mhany- + -a k- -ana kana
ku- + -vereng- + -a 13 tu- -sikana tusikana
ku- + -p- + -a twu- -sikana twusikana
Mupanda 17 tw- -ana twana
ku- + -seri 14 u- -pfu upfu
ku + -Buhera hu- -upfu hupfu
hw- -ahwa hwahwa
Mipanda yemazita 15 ku- -nyora kunyora
Mupanda Chivakashure Dzitsi Zita 16 pa- -musha pamusha
1 mu- -rume murume 17 ku- -nze kunze
mw- -ana mwana 17a Ø- -mberi mberi
1a Ø- -Rudo Rudo 18 mu- -dumbu mudumbu
Ø- -baba baba mu- -kirasi mukirasi
Ø- -tete tete
24
CHITSAUKO 4 ZVISAZITASINGWI
i- + -ni 10 idzo
11 irwo
i- + -su
12 iko
i- + -we
13 itwo
i- + -mi
14 ihwo
(b) Chisazitasingwi chemupanda 15 iko
pa ndipo panopinda zvimwe
A 16 ipo
zvisazitasingwi zvemimwe mipanda kubva 17 iko
pamupanda 2 kusvika 21. 17a iko
18 imo
19 isvo
21 iro
28
CHITSAUKO 5 ZVIDUDZIRAZITA
30
Zvisarudzi Chiratidzamupanda Nzvovera Dzitsi
chechirevamwene inoshanduka rechirevamwene
Zvisarudzi zvinogona kunzi zvinan'aniri.
(-a-)
Zvinan'anuri zvinotsaura chinhu kubva pane
dz- -a- -baba
zvimwe.
zv- -e- -mba
Maumbirwo
w- -e- -mumba
Chivakashure chechisarudzi + Dzitsi
rechisarudzi Madzitsi ezvirevamwene
Mazita anogona kuve madzitsi ezvirevamwene,
Chivakashure Dzitsi rechisarudzi
sokuti:
chechisarudzi
munda watete.
va- -no
vakomana vemusango.
zvi- -ye
chikwambo chasekuru.
dzi- -pi?
chibage chemumhare.
• Zvisarudzi zvine madzitsi matatu motokari yewaya.
chete: -no, -ya/-ye, -pi? mukomana wemucheno.
• Zvinopindawo mumipanda bhora remadhende.
sezvinoitawo mazita asi
Zvidudzirazita zvose zvinogona kuva
zvichifambirana nemazita
madzitsi ezvirevamwene.
azvinodudzira.
• Zvisazitasingwi:
Mupanda Chisarudzi
1 upi?, uno, uye/uya rako.
2 vapi?, vano, vaye/vaya zvarwo.
5 ripi?, rino, riye • Chiitopauro:
7 chipi?, chino, chiye yevanondiziva.
8 zvipi?, zvino, zviye zvevanorwara.
Zvirevamwene rechakanaka.
• Chiratidzi:
Izvi zvine basa rokuratidza muridzi wechinhu.
Chirevamwene chine sungawirirano nezita yeava.
rachinodudzira uye chinoshandisa chivakashure zveichi.
chezita rachinodudzira. • Chiverengo:
zvemumwe.
Maumbirwo ezvirevamwene
dzepai.
Chiratidzamupanda (chiiswa) chechirevamwene chemumwe.
+ Nzvovera inoshanduka (-a-) + Dzitsi • Chisarudzi/chinan’anuri:
rechirevamwene chezviye.
zvevapi?
svavano.
33
• Chirevamwene: • Kuratidza muridzi wechinhu, sokuti:
zvevake. badza rababa.
kezvangu. bhaibheri raMufundisi.
chedzambuya. pfuti yasekuru.
• Chipauro: mushonga wen’anga.
dzevazukuru. huku dzake.
kekusakurisa. Mubvunzo
chemukuru.
Umba zvirevamwene uchishandisa
Basa rezvirevamwene sungawirirano yechirevamwene yakasiyana
pazwi roga roga.
• Kuratidza basa rechinhu, sokuti:
shamhu yokurovesa. isu chipo asinganzwi
mutsvairo wokutsvairisa. mumusha mberi zvitsvuku
imba yokugara. gumbo rako baba
chino mai mombe
• Kuratidza chakagadziriswa chinhu,
asekuru
sokuti:
kapu yedhaka. Mhinduro
bhora rechikumba. chedu rechino twemberi
• Kuratidza mhando yechinhu, sokuti: dzemumusha zvemombe svamai
mombe yemhou. yegumbo mechipo kaasekuru
sadza rezviyo. werako veasingazivi hwababa
• Kuratidza unhu/tsika, sokuti: pezvitsvuku
baba vekudhakwa.
Cherechedzo:
mukomana wembanje.
amai venyambo. • Kana wapihwa mubvunzo wakadai
usazodzokorora sungawirirano
• Kuratidza zviri mukati mechinhu,
yechirevamwene.
sokuti:
gaba redovi. Ukati zvedu pana isu
–
bhegi remari. usazodzokorora zv- pana
chigubhu chemvura. mumusha, ukati zvemumusha
unenge watotadza.
bhegi remabhuku.
Zvakare ukati chegumbo
–
• Kuratidza nguva: panagumbo ukazoti chemombe
hope dzechando. pana mombe unenge watadza.
mwana wemuhondo.
• Sungawirirano dzezvirevamwene
mwaka wemashuku.
dzakawandisa saka unongoshandisa,
• Kuratidza nzvimbo, sokuti: chakakosha kusadzokorora
vachenjeri vekumabvazuva. sungawirirano chete.
vasikana vekwaMereki.
vakomana vaenda kwaGutu.
34
CHITSAUKO 6 ZVINDORI
36
CHITSAUKO 7 ZVIITO NEZVIDUDZIRAZVIITO
ku-p-a Mubvunzo
ku-d-a Nyurura midzi yezviito zvinotevera:
ku-b-a
(a) kuyaruka
• Midzi yezviito ine mavara akawanda,
(b) vanobva
sokuti:
(c) kuseka
ku-tamb-a (d) vadiwa
ku-nyor-a (e) musandizeza
ku-mhany-a (f) tambiswa
ku-vereng-a (g) kunzwana
ku-bay-a
Mhinduro
• Midzi yakadzokororwa, sokuti:
Kana munyori achipindura mubvunzo wakadai
ku-chem-a-chem-a
anofanira kuziva mudzi wechiito onyora mudzi
ku-tamb-a-tamb-a
chete.
ku-cher-a-cher-a
38
CHITSAUKO 8 MISAMBO YEMUTAURO
Chitorwa
1. Chinyarikani
Musambo uyu unoshandiswa nevanhu • Chitorwa musambo unoshandiswa
vanoremekedzana/vanokudzana. Vanhu nevanhu vasina ukama, vanhu
vanoshandisirana musambo uyu: vasingazivane, vanogona kunge
vangosangana kana kuti vanenge vari
• vanoshandisirana chisazitasingwi imi. vanhu vanozivana asi vari vatorwa
• vanoshandisirana mitupo nezvidawo vane kakuremekedzana.
pakudaidzana.
44
(d) Chiroora • Vanambuya navanasekuru ndivo
vanoraira vazukuru tsika namagariro
• Musambo uyu unoitwa pavaroora
evaShona.
namadzitete hanzvadzi dzevarume
vavo. Unonyanya kubuda pandufu. (f) Chivhevhano
Varoora vanotsvinyira kana kuti • Uyu musambo werudo kana kuti
kuitira jee madzitete. unoshandiswa vanhu vachipfimbana.
• Varoora vanotevedzera tsika dzomufi, • Vatauri vanoshandisa mazwi
zvakaita semapfekero kana matauriro akadzama.
nezvimwe zvaiitwa nemufi. • Vanoyevana nekuyemurana.
• Kugeza nekupfekedza mufi • Pakunotanga kupfimbana, musikana
vachitsvinyira chitunha. anonyebedzera kunyara mukomana
• Kukura nzira inoenda kuguva. asi achinge ada hapasisina kunyara.
• Kuchera mvura inoshandiswa kuguva. • Vakasununguka kutaurirana mazwi
• Kusvina ura hwechipfuyo chinenge avanonzwisisana avasingagoni
chaurawa. kutaurirana nevamwe.
• Kusunga makavi kana chimucheka • Vakasununguka kupfeka zvavanoda
chichena kuhama dzomufi zvichingodaro.
vachizosunungura mushure • Vanoshandisirana mazita
mekupihwa muripo. pakushevedzana uye vanoshandisa
(e) Chizukuru chisazitasingwi iwe.
• Uyu musambo unoshanda pakati Cherechedzo:
pemadzisekuru, madzimbuya
• Vanyori vebvunzo vanofanira kuziva
nevazukuru. Vanhu ava
musambo umwe neumwe nemazvo.
vanosekedzana pasina kunyarana.
• Vanofanira zvakare kuziva kuti
• Vazukurukomana vanotaura
musambo umwe neumwe une
zvakasununguka kuna vanasekuru
zvawakanakira uye une zvawakaipira.
navanambuya sezvo paChiShona
• Vanyori ngavakwanise kuratidza
vazukuru vachigona kugara nhaka
zvinhu zvave kuita kuti misambo
yasekuru.
yeChiShona itsakatike.
• Vazukurusikana vanonzi mudonzo
• Vanofanira kuziva kuti zita
wepwa navanasekuru saka
remusambo rinofanira kutanga nachi–
vakasununguka kutaura zvavanoda.
sokuti, chizukuru, chinyarikani,
• Mumusambo uyu vatauri
chishamwari zvichidero.
vanotenderwa kupfeka zvavanoda asi
zvinofanira kusara zvine chiremera.
46
WEDZERA GADZIRIRO YEBVUNZO (d) kana vanhu vambenge vachifamba
PAMISAMBO vose vosvika pakuparadzana. [1]
(e) pakutambira vanakomana vanobva
MIBVUNZO musango kunovhima vauya
“Makadii amai.” Akadaro Murenjekwa achirova nenyama. [1]
gusvi sezvo ainge asvika munzvimbo (f) pakuuchira mambo vagere padare
itsva yaaisazivikanwa. Akazvizivisa kuna pavo. [1]
VaChingweru vaainge asangana navo (g) pakupfuura nepanovhiiwa mombe. [1]
vachienda kutsime. VaChingweru vakabva (h) pakutambira vasikana vanobva
vamukwazisawo zvaive zvakadzikama kuhuni. [1]
vachinyatsomucherechedza. Murenjekwa (i) pakusangana nemunhu wavave
anovabvunza nzira yaienda kwaSabhuku nenguva musina kumboona. [1]
Mhukahuru uko aida kunotsvaka pekugara (j) pakupa mukadzi mari kana
munzvimbo yavo. Vaviri ava vanopesana chimwe chinhu chinoratida kuti
mushure mekunge VaChingweru vamuratidza haachadiwi. [1]
nzira yaienda kwasabhuku. [10]
3. (a) Patsika namagariro avaShona,
1. (a) Doma musambo wakashandiswa nyakufa anotukwa nekunemerwa
navaviri ava. [1] nevaroora somunhu mupenyu.
(b) Murenjekwa aitsvaka chii Rimwe gore imwe hwitakwi
munzvimbo iyi? [1] yerume payakanga yarara
(c) Chii chinobvunzwa kuna mubhokisi, yakanzi nomumwe
VaChigweru? [1] murooora, “Zvaunosisivadza
(d) Ndevapi vamwe vanhu vaigona dundundu uchiti, ‘Nyati
kupa Murenjekwa pokugara, imhenyu’, chimukaka tione uite
muupenyu hwavaShona? [3] zvaunozivikanwa nazvo nhasi
(e) Vanhu vave kushandisa nzira pano. Ini ndagadzirira.” Vanhu
dzemazuva ano kuti vawane vaive pamariro vakati pwati
nzvimbo dzekwavari kuenda. kuseka zvavo.
Doma nzira nhatu dziri
(i) Doma musambo
kushandiswa mazuvano nevanhu. [3]
wakashandiswa mundima iyi. [1]
(f) Ndechipi chinhu chinotanga kuitwa
(ii) Semaonero ako, ndohupi
naMurenjekwa paanosangana
ukama huripo pakati
naVaChingweru? [1]
pemushakabvu nanyakutaura? [1]
[10]
(iii) Doma mamwe mabasa matatu
2. Nyora mashoko angataurwa: anoitwa nevaroora parufu. [3]
(a) pakupinda mumunda mune vanhu (iv) Musambo washandiswa
vari kuita basa kana kusakura. [1] pachindima chiri pamusoro
(b) pakupfuura nepachivanze kana waive wakakosherei parufu
kupinda mumba muri kutsvairwa. [1] paupenyu hwavaShona? [2]
(c) pakusvika pamusha pazvarwa
mwana mutsva. [1]
47
BVUNZO 2
BVUNZO
PAPER 1
Nguva: Maawa maviri
RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO
Pindura mibvunzo yose.
Mibvunzo yose inofanira kupindurwa neChiShona chete.
CHIKAMU I: RONDEDZERO
1. Sarudza musoro mumwe chete pane yose yakapihwa. Chinyora rondedzero yemhando
yawasarudza nemazwi ari pakati pe450 ne500 kana kusvitsa mapeji mana.
(a) Ndezvipi zvingaitwe kuderedza kupararira kwedenda redzihwamupengo (covid-19)? [50]
(b) Nyora nyaya inoburitsa tsumo yokuti, “Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi.” [50]
(c) Wakokwa somuenzi anoremekedzwa pamakwikwi emitambo yakasiyana-siyana
inoitwa nevana vechikoro vabva kuzvikoro zvemudunhu renyu. Chinyora mashoko
auchataura pagungano iri vana vava kupihwa mibayiro yavo uchijekesa zvakakoshera
mitambo uye matambiro akanaka anofanira kuitwa kunyangwe vachikwikwidzana. [50]
(d) Nyora tsamba kugurukota redzidzo dzepuraimari nesekondari munyika yenyu
uchimutsanangurira matambudziko ari kusanganikwa nevana padzidzo uye
uchipawo mazano ezvingaitwe kupedza matambudziko aya. [50]
(e) Nyora hurukuru pakati pevakomana vaviri vari kukakavadzana pamusoro
pemagariro emumaguta. Mumwe anoti maguta angofanana nekumaruwa pamagariro
ari kuita vanhu mumwe achiti, upenyu hwemudhorobha hwakanaka. [50]
(f) Mafashamu [50]
(g) Zvakakoshera mishandirapamwe pamabasa ekurima. [50]
“Aiparira pautsi. Vairidza mhururu, vaipembera, vachifara vakabatira makano mumaoko vaiti
vaitema nzou here? Iye nhasi zvapera.
56
BVUNZO
Nhasi aiva madziva, vana vachifarira kuti nhasi toenda kunokukuzva hove, aoma. Pofambwa
nemagwavava navanamudune. Vainyumbwira vachipesverwa nokudya kwavaipihwa nomwana
wangu, Tsuro haiponi rutsva kaviri; rwetatu yaiswa muhari.
“Handina mwana anopisirwa guva ini. Ndiani wokurudzi kwake akafa achisvinwa mwana
mudumbu? Ndiani wokwake akafa achitongwa neyokuponda munhu? Kudzinde kwangu
hakuna. Mashiri haaifanira kutsvinya kudaro. Mwana handina kunhonga; ura hwangu,
mwoyo wangu neropa rangu. Yaiva huku here yavaitumburira pachivanze? Mashiri akabereka
nomwana wangu, asi nhasi ouya achindiridzira tsuri. Vakamutswa muduri sechibage, mwana
wangu akapera kusakara, kuzhwaranuka kudaro kushaya ruvara seanonzi akanga asingadyi.
Vakamuita gamburanwa asi nhasi ouya akapetera muswe mujira romwana wangu. Kana
paine chakamugara, chichabuda chichizvireva, kana huri uroyi hunovadariso vachachiona
chakagarisa huku mumusha. Ingozi here kana kuti kudada kunovadariso?
“Hakusi kudada kana kuti upfumi, pane chakavagara,” Mudzimai wavo akanga opfikura,
zvitama zvachiti nyekete nemisodzi.
57
BVUNZO 2
BVUNZO
PAPER 2
Nguva: Maawa maviri
CHIKAMU I: ZVIRUNGAMUTAURO
Pindura mibvunzo miviri kubva muchikamu chino.
1. Mazwi anotevera anonyorwa zvakafanana asi achireva zvinhu zvakasiyana. Sarudza mashanu
chete, ugoumba zvirevo zviviri zvinoreva zvakasiyana paizwi roga roga rawasarudza.
Muenzaniso: Doro
Mhinduro: (i) Tendai akatenga doro rakawanda nezuro.
(ii) Ambuya vamukira kunodzinga shiri kudoro remupunga.
(a) gota
(b) rara
(c) dura
(d) rima
(e) guru
(f) bara
(g) rinda [5]
2. Zadzisa zvirevo izvi neenzaniso yakakodzera. Sarudza zvirevo zvishanu chete.
Muenzaniso: Tarisai pakufamba ________ chairo.
Mhinduro: Tarisai pakufamba idzvatsvatsva chairo.
(a) Mazino aChenai ________ chaiwo pakuchena. [1]
(b) Takura ________ pakurwa. [1]
(c) Mwoyo wake ________ chairo kuoma. [1]
(d) Ruvheneko ________ chaiyo parunako. [1]
(e) ________ pakukara nyama. [1]
(f) ________ chairo pakukanganwa. [1]
(g) Tarusenga ________ pakuba zvinhu zvevamwe. [1]
[5]
3. Nyora tsumo dzinoreva zvakafanana nedzinotevera. Sarudza shanu chete.
Muenzaniso: Mbudzi kudya mufenje hufana nyina.
Mhinduro: Gavi rakabva kumasvuuriro.
(a) Chara chimwe hachitswanyi inda. [1]
(b) Mwoyo muti unomera paunoda. [1]
(c) Reva ishe wakakwira pachikomo. [1]
(d) Muzivi wenzira yaparuware ndiye mufambi wayo. [1]
(e) Akanga nyimo avangarara. [1]
(f) Kabva muzai kava kashiri. [1]
58
BVUNZO
(g) Mweni haaiswi mudura. [1]
[5]
4. Nyora manhamba anotevera neChiShona chakanaka.
Muenzaniso: 27
Mhinduro: Makumi maviri nenomwe.
(a) Mbudzi dzake 2240.
(b) Vanhu vakafa nechirwere chedzihwamupengo vanosvika 3 000 000.
(c) Akatenga chingwa che$7,00.
(d) Masoja akaburuka mumarori aiva 120.
(e) Vanhu vaive pamuchato vaisvika 1000.
(f) Akahwina rotari ye$884 000.
(g) Akabvisirwa $100 paakaroorwa.
[5]
59
BVUNZO
60
BVUNZO 8
BVUNZO
PAPER 1
Nguva: Maawa maviri
RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO
Pindura mibvunzo yose.
Mibvunzo yose inofanira kupindurwa neChiShona chete.
CHIKAMU I: RONDEDZERO
1. Sarudza musoro mumwe chete pane yose yakapihwa. Chinyora rondedzero yemhando
yawasarudza nemazwi ari pakati pe450 ne500 kana kusvitsa mapeji mana.
(a) Upfumi hwenyika huri muvhu. [50]
(b) Nyora tsamba kushamwari yako iri kudzidza iyo yakawirwa nedambudziko
rekufirwa nevabereki vose uchiipa mazano angaibatsire. [50]
(c) Nyora nyaya inodudzira tsumo yokuti, “Chenga ose manhanga hapana risina
mhodzi.” [50]
(d) Nyora hurukuro pakati pevasikana vaviri vari kukakavadzana pamusoro pekukosha
kwatete mumhuri. Mumwe anoti, tete vakakosha mumhuri mumwe achiti, vanatete
vemazuva ano ndidzo dzave mharadzi. [50]
(e) Barika [50]
(f) Nyora nyaya ine mashoko okuti, “Kubva zuva iri akazoziva kuti hama
hadzitsvinyirwe.” [50]
(g) Uri mukuru wedzidzo anotungamirira zvikoro zvakati wandei mudunhu renyu.
Nyora mhan'aro kugurukota rezvedzidzo uchitsanangura matambudziko akaunzwa
nechirwere checovid-19 kuvana nekudzidzo yavo uye uchipawo mazano ekuti
matambudziko aya angatapudzwa sei. [50]
91
BVUNZO
Vakavaudzazve kuti vakaona vanonoka kudzoka vanenge vaenda kumwana wavo musikana
kwavaisimbonopedza mazuva vari. Izvi hazvina kumboshamisa vana vavo nokuti ndiwo aive
maitiro avo.
Tanga naVaHaripotse vakarongedza tunhu twavo twavaida. Havana kutora upfu kana chii
zvacho chokukanda mumukanwa. VaHaripotse vakatora mapfumo avo maviri, mudonzvo
nedaunha. Tanga aive nekapfumo kake kainge komwana mudiki. Vakasimuka havo toro
vakananga nekumadzimbahwe. Tanga haana kuda kubvunza kwavaienda akanga achingotevera
sehwai. Musi waakatanga kuona kamukuru aka, aifunga kuti hakagoni kufamba asi zvavakanga
voenda zvakamushamisa kukaona kohwadaira iwo mudonzvo wakanzi papfudzi dzva.
Vakafamba zvokuti Tanga akanzwa makumbo kurwadza.
Zuva rava kuda kunyura, vakasvika pane chimwe chikomo chakanga chiri pedyo nekakova.
Vakatura midziyo yavo VaHaripotse ndokuzembera pamuti pfumo riri mumaoko. Tanga
akatema musasa, ndokusika moto, pashure akatora chiguchu onochera mvura. Nguva yose iyi,
VaHaripotse vakanga vamire zvavo nokuti somunhu mukuru vakanga vaneta. Tanga zvaaienda
kutsime nzara yakanga yoruma. Aingofunga zvokuti vanodyei sevanhu vakanga vauya vari
maoko. Ichokwadi kuti aisienda musango asi aisienda neupfu. Akachera mvura ndokudzokera
kumusasa.
Ava kuda kusvika pamusasa, akaona shumba yaisa makumbo mudenga ichiti rimwe pfumo
nepachityu apa rimwe nomumukanwa. Akambofunga zvokuda kutiza asi akanzwa izwi richiti,
“Rega zvako kutya.” Akachiti tarisei akaona ndiVaHaripotse. Zvakamushamisa zvikamushayisa
mate mukanwa nokuti haana kumbenge afunga kuti kaharahwa kapera zvakadai kangagona
kuuraya shumba.
“Unoziva kuti shumba iyi tabva nayo kupi? Tabva nayo kure chaizvo. Nguva yose iyi yanga
ichimirira kuti tirivare. Ndokusaka wandiona ndakazendama pamuti nepfumo mumaoko. Zvino
waonaka kuti kana uchifamba musango unofanira kungwara. Ndaibaya ichiri kwakadaro uko
nepfumo rokutanga asi unoziva kuti shumba ine simba nokudaro yaramba ichiuya. Yazoti
yava padyo, ikati yashama muromo nokushatirwa ndokubva ndaiti pfumo nomumukanwa
bvo-o ndokuti pasi zhi-i. Zvose izvi ndazviita nokuti ndinonzi Haripotse. Chikuriro changu
handisati ndambopotsa mhuka kana kubaya mhuka ikaenda. Unofunga kuti ndakazvarwa
ndakadaro? Kwete hazvisi izvo, ndakatodzidza. Vanhu vazhinji vanofunga kuti ndine muti
wemudzi. Wangu muti kugara ndichikanda pfumo. Ndinokuudza mwana wasahwira ukanzwa
zvandinoreva uchava murume chaiye. Zvizhinji ndichakuratidza kana tasvika kwatiri kuenda.
Ava mangwana, vakafumomukirana narwo rwendo rwavo. Kuzoti zuva rachiti kata, Tanga
akanzwa mabvi kurera nenzara nokuti vakanga vavata vasina chavakakanda mukanwa. Mwana
akakungura shumba iye yakanga yauraiwa naVaHaripotse.
92
BVUNZO
(d) Nemhaka yei harahwa iyi yakapihwa zita rokuti Haripotse? [1]
(e) Madimikira anotevera anorevei sekushandiswa kwaakaitwa mundima?
(i) Vauya vari maoko [2]
(ii) Kushaisa mate mukanwa [2]
(iii) Kusviba mwoyo [2]
(f) Ipa chikonzero chakaita kuti VaHaripotse vazendame pamuti nepfumo mumaoko. [1]
(g) Ipa tsananguro yemashoko aya sekushandiswa kwaakaitwa mundima:
(i) museve waenda neuma [2]
(ii) mumukanwa bvo-o [2]
(iii) achingotevera sehwai [2]
(iv) kukaona kohwadaira [2]
(h) Chii chakaita kuti Tanga anyanyoshamiswa nekuuraiwa kwakaitwa shumba
naVaHaripotse? [1]
(i) Nyora pfupiso yenyaya iyi nemazwi ako asingapfuuri makumi mashanu. [10]
93
BVUNZO 8
BVUNZO
PAPER 2
Nguva: Maawa maviri
CHIKAMU I: ZVIRUNGAMUTAURO
Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.
94
BVUNZO
(g) Akati cheu kutarisa kwaibva ruzha ndokutanga kumhanya. [1]
[5]
4. Sarudza tsumo shanu kubva pane dzinotevera, zvino chitsanangura zvinoreva imwe
neimwe yawasarudza.
(a) Chawawana batisisa mudzimu haupi kaviri. [1]
(b) Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa. [1]
(c) Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro. [1]
(d) Rinonyenga rinohwarara rinosimudza musoro rawana. [1]
(e) Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto. [1]
(f) Rine manyanga hariputirwi mumushunje. [1]
(g) Kakara kununa hudya kamwe. [1]
[5]
95
BVUNZO
(k) -chembere 5
(l) -tongo 21
(m) -famba 15
(n) -nyoka 9
(o) -dya 15
(p) -goti 4
(q) -eni 1
(r) -ino 6
(s) -uru 8
(t) -pasa 12
(u) -rume 19 [10]
7. Nyatsoverenga chindima chiri pazasi ugopindura mibvunzo inotevera.
ona ana gona wakewo. Iyi itsumo yakagara iriko kubva kare. Vakuru vedu
G
vakaishandisa kutsanangura kuti shasha inogona kuwana imwe shasha inoikurirawo.
Ndiwo magariro saka vanhu vazhinji gatigare tichiziva izvi muhana dzedu mazuva ose.
Kubva muchindima ichi, ratidza zvinotevera:
(a) zvirevamwene zviviri [2]
(b) zvindori zviviri [2]
(c) zviratidzi zviviri [2]
(d) zvipauro zviviri [2]
(e) zita romupanda 9 rimwe chete [1]
(f) chirevauwandu chimwe chete [1]
[10]
8. (a) Nyora zvirevo zvitanhatu zvine rebeso dzakasiyana uchishandisa chiito -gara. [6]
(b) Kubva pachiito vakadyarurura ratidza zvinotevera:
(i) mudzi wechiito
(ii) rebeso yechiito
(iii) zita rerebeso [4]
[10]
9. Nyora zvirevo zvishanu uchishandisa zvidudzirazviito zvinotevera:
(a) cheudzamu [2]
(b) chemuiti [2]
(c) chefanano [2]
(d) chenguva [2]
(e) chechombo chakashandiswa [2]
[10]
96
MHINDURO
MHINDURO
(iv) Chivhevhano.
(v) Chinyarikani.
WEDZERA GADZIRIRO (b) (i) Sekuru nemuzukuru.
(ii) Babamukuru nemuramu/mainini.
YEBVUNZO PAMISAMBO (iii) Vagarisani.
(iv) Mukomana nemusikana vari
1. (a) Chitorwa.
murudo.
(b) Aitsvaga nzvimbo yepekugara.
(v) Mutongi wedare nemupari
(c) Anobvunza nzira yekuenda kumusha
wemhosva.
wasabhuku.
(d) Ishe/ sadunhu/ mambo. 5. (a) (i) Godo/ ruvengo/ ruchiva/
(e) Mamepu/ chiratidza nzvimbo kukara/ barika/ kushomeka
chepamafoni (GPS)/ kambasi. kwezvokushandisa.
(f) Anovakwazisa. (ii) Kutungamidza rudo pane
2. (a) Vabati/ vabasa. zvose/ kuremekedzana/
(b) Pamusoroi. kupanana mikana pakutaura/
(c) Makorokoto/ machena. kuremekedza kodzero/ kuwana
(d) Nzira dzarwa. dzidziso pamusoro pekugarisana
(e) Vadzimba/ hombarume. kwakanaka.
(f) Dzenyama chirombowe. (b) (i) Kuombera/ kuuchira.
(g) Chishava pavarume. (ii) Kuvakwazisa.
(h) Titure. (iii) Kusimuka wopa vakuru
(i) Vemakore. pekugara.
(j) Hero gupuro. (iv) Kubva panzvimbo igere vakuru
vachikurukura.
3. (a) (i) Chiroora
(ii) Mutauri: maiguru/mainini 6. (i) Kuganza kunoita mainini/ kunemerana/
Mushakabvu: babamudiki/ kusvotesana/ kusekana.
babamukuru. (ii) Pasichigare chiramu chaive
(iii) Kusakura kumakuva/ kubika/ chekutandadzana, kupanana mazano,
kunemera/ kutsvaira nzira kutsiurana pamaitiro akashata uye
inoenda kumakuva. change chisina bonde asi nhasi
(iv) Kuvaraidza vafi/ kurerutsa rufu. uno chave kupfurikidzisa mwero
(b) (i) Kusekerera munhu achibata zvokusvika pakuenda pabonde.
maoko. (iii) Yainge yakanaka pakuti yaisimbisa
(ii) Kuchema/ kudemba/ kupa ukama/ kupa mukana wekupangana
mashoko okunyaradza vafirwa. mazano mukutamba.
Yainge yakaipira pakuti vamwe
4. (a) (i) Chizukuru.
varume kana vakadzi vaitora mukana
(ii) Chiramu.
vobva vaita zvebonde nevaramu.
(iii) Chinyarikani.
110
MHINDURO
7. (a) Chinyarikani. (iv) Minda yavakanzi vachapihwa.
(b) Mitupo nezvidawo. (d)
Kupopota/ ruzha/ hasha/ rudo rwega/
(c) Mutupo: Gumbo. bishi/ bongozozo/ mheremhere/
Chidawo: Madyirapazhe. mitsara/ hasha bedzi/ mabvumira/
(d) Kusimuka achitaura zvinyadzi mahon’era/ tsumo/ madimikira.
zvavakanga vaita pane vanhu/ (e) (i) ruzha.
kuchema/ kusabata zvairehwa nababa (ii) mudonzvo.
vake. (iii) kubhadhara.
(e) Vamwe vava kugadzirisana (iv) mhosva.
semhuri pasina kuendesana kudare/ (f)
Kuvhara kwekambani nekuda
kuendesana kumatare edzimhosva kwekuoma kwezvinhu/ kuwanda
ekuti murume abvise mari yekuriritira kwavanhu vane dzidzo yepamusoro
mwana/ kugadziriswa nevafundisi zvisingaenderani nekukura
vekereke kana vakuru vekereke.
kweupfumi hwenyika/ kusarudza
mabasa.
BVUNZO 1: PAPER 1 (g) Pfupiso
– mudetembi anotsanangura
CHIKAMU II: NZWISISO NEPFUPISO zvaanoti inhetembo nezvisiri
nhetembo.
2. (a)
Sekuru vari kumakura vari – zvanzi nhetembo hadzisi ruzha,
kunyunyuta nekuda kwekusauya bishi, hasha, rudo kana mitsara
kweivhu ravakavimbiswa/ amai vari – hadzisi zvirungamutauro.
kurwadziwa nekuda kwekurwara – hanzi nhetembo zvinhu.
kwemwana wavo/ mukoma vari zvisingaonekwe kana.
kushaiwa basa mushure mekunge kunzwikwa navazhinji.
vapedza dhigirii payunivhesiti/ – dziri pamusoro pevakwegura
pfambi inokuvara ichitiza mapurisa vane tariro isina kuzadziswa.
uye kurohwa nechikomba chichiramba – dziri pamusoro pekurwarirwa.
kubhadhara/ muchairi wekombi – dzinotaura pamusoro pedzidzo.
anoverenga mari achiteerera rwiyo – dziri pamusoro pekushaikwa
achimhanyira chingwa kuchiteshi/ kwemabasa.
mupurisa ari kutsvaga kuita huori – dzinotaura nezvemagariro
pamugwagwa/ kutaura navanhu/ mudhorobha kusanganisira
munhu asingaoni uyo asisiri kupihwa pfambi nevatyairi vemakombi.
rukudzo mumabhazi/ ndini newe – dzinotaura nezvehuori
(munhu wose). hwemapurisa.
(b) Gwe, gwengwendere, gwedebu. – dzinotiudzazve
(c) (i) Kugara nguva refu wakamirira nezvekusaremekedzwa kwevane
chimwe chinhu. urema.
(ii) Kuondoroka nekurwara.
(iii) Kutaura zvakanyanyisa.
111
BVUNZO 1: PAPER 2
MHINDURO
112
MHINDURO
(ii) va- wemupanda 2 unoreva mumupanda mumwe chete
uwandu hwemazita emupanda sezvinotevera:
1 uchipa mazita evanhu kana Ushoma Uzhinji
mabasa evanhu, sokuti: vakoti,
vana, vasikana, vaeni, vadzidzisi. murume (1) varume (2)
va- wemupanda 2a unoreva musikana (1) vasikana (2)
ruremekedzo kuvanhu, sokuti mugoti (3) migoti (4)
vatete, vatezvara, VaMawarire. muti (3) miti (4)
(iii) ku- wemupanda 15 unoreva Sungawirirano yakafanana
zviito, sokuti: kufamba, kuba,
Mazita ane sungawirirano yakafanana
kugara, kuvata.
anopinda mumupanda mumwe chete,
ku- wemupanda 17 unodoma
sokuti:
nzvimbo, sokuti: kuHarare,
Mombe dzadya mumunda. (10)
kuChinhoyi, kumba.
Mbudzi dzapinda mudanga. (10)
(b) Zvivakashure zvakafanana Gore rinouya rinoratidza kujeka. (5)
Guru randadya rinonaka. (5)
Mazita ane zvivakashure zvakafanana
anopinda mumupanda mumwe chete, 7. (a)
Chiratidzi chepedyo uye
sokuti: chisazitasingwi chemupanda
ma- + -iso (6) Chiratidzi Chisazitasingwi
ma- + -zai (6) chepedyo chemupanda
ichi itwo
Kureva zvakafanana
urwu irwo
azita anoreva zvakafanana
M aya imo
anopinda mumupanda mumwe chete, iyi ipo
somuenzaniso: (b) Maumbirwo echiratidzi chepedyo
mazita ose emumupanda 1 anoreva
Chitsigisi + Chiratidzamupanda
munhu mumwe chete, sokuti:
i- -chi
murume, musikana, mwana.
i- -ri
Mazita emupanda 15 anoreva zviito,
Maumbirwo echisazitasingwi
sokuti: kudya, kufamba.
chemupanda
Mazita emupanda 17 anoreva
nzvimbo, sokuti: kure, kumba, Chitsigisi Chiratidzamupanda Nzvovera
kuchikoro. /-o/
i- -tw- -o
Sungano yeuwandu neushoma i- -m- -o
yakafanana
8. (a) ndousinayo, inyanzvi, ndiyo.
azita ari muushoma anopinda
M (b) hombarume, mhuka, tsumo, nyanzvi
mumupanda mumwe chete, kana (c) vazhinji, muuya.
azoiswa muuzhinji anopindazve (d) munoendwa, inotsanangurwa,
anokwanisa
(e) wepwere.
113
MHINDURO
2. (a)
VaMandisema naVaMarwira/murume BVUNZO 2: PAPER 2
nemudzimai wake.
(b)
Kupondwa kwemwana wavo/ CHIKAMU I: ZVIRUNGAMUTAURO
kutsvinyirwa nevakauraya mwana
1. (a)
Tarisai akabva kubuda mugota
wavo/ kusagadziriswa kwenyaya
mwedzi wakapera.
yekufa kwemwana wavo padare
Tarisai amukira kugota moto nokuti
(c) (i) Vakanga voda kupihwa mhosva
kwanga kuchitonhora.
ivo
(b) Nhonga rara iro ukande mugomba.
(ii) Munhu haarambe achipunyuka
Rara zvakanaka usaite mavato.
pamhosva dzake.
(c) Mudura masara tuzviyo tushoma.
(iii) Kuroora kana kuroorwa guva
Mbuya vake vadura kuti vanoroya.
remufi risati rarohwa.
(d) Nhasi kunze kune rima.
(iv) Vakamuuraya/vakamuponda
Rima ukohwe ugowana chokudya.
zvinorwadza.
(e) Atenga dhirezi guru.
(v) Kumbozorora kutaura.
Nhasi manheru tiri kudya neguru.
(vi) Pane zvinovakanganisa maitiro
VaMutasa vane guru, mukadzi
kana mafungiro/ pane mweya
wechipiri akauya mwedzi wapera.
wakaipa unoita kuti vaite
(f) Abara mwana musikana.
zvakaipa.
Bara repfuti rakapferenyura pagumbo
(d) (i) dare
reshumba.
(ii) kujanyangura
(g) Rinda makudo asadya mumunda.
(iii) vachipembera
Rinda rasekuru vangu rakavakirwa
(iv) dzinde
mwedzi wapfura.
114