Professional Documents
Culture Documents
Primary School Grade 5 Shona Workbook
Primary School Grade 5 Shona Workbook
SHONA
WORK BOOK
WEEK 3AND 4
NZWISISO
Verenga ugopindura mibvunzo inotevera
SHUMBA NEIMBWA
Zvinonzi kare kare imbwa yaigara musango ichirera vana veshumba. Mazuva ese shumba
yaivhima ichiuya nenyama kuzopa imbwa kuti idye pamwe chete nevana vayo. Zvino rimwe zuva
shumba yakanonoka kudzoka nenyama.Imbwa yakafunga kuti pamwe shumba yadyiwa nezvikara
zvesango.Yakabva yatanga kudya vana veshumba vese.
Ichangopedza kudya vana vese yakanzwa kudzvova ikaziva kuti ishe vave kuuya.Yakazivawo kuti
ikamirira kusvika kweshumba,payo panobva paiperera.Saka imbwa yakatizira mumusha
mevanhu.Nanhasi imbwa inogara mumisha mevanhu. Ndimo mainonoberekera mbwanana dzayo.
Nanhasi kana imbwa ikanzwa shumba ichidzvova haihukuri, asi kuti inomhanyira mumba mune
vanhu.
RONDEDZERO
Nyora tsamba kuhama yako uchiikoka kumusha kwenyu pazororo rezvikoro
rinotevera uchiitsanangurira zvamunoda kuzoita pamwechete.
Shandisa pfungwa idzi ugowedzera nedzako.
-mazuva aunoda kushanyirwa
-zvirongwa zvako zvemazuva acho.
-vamwe vanotarisirwa kuti vachange varipo.
MAZWI EZVIITO
NZWISISO
PINDURA MIBVUNZO
1.Nyika yeZimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere mugore ra……
2.Kuvhurwa kwezvikoro nekukurudzira dzidzo zvaitirwa kuti……
3.Mari yekugadzira mugwagwa yaipihwa…..
4.Nyora mhando mbiri dzevanhu vairapwa mahara.
5.Deripi dambudziko rakaunzwa nekuwanda kwezvifambiso.
6.Kana zvinhu zvakati twasa zvinenge…….
7.Nyora rimwe izwi rakafanana nekuti tsaona.
8.Zvidzidzo zvekufamba kwakanaka zvinobuda pai?
9.Nyora zvifambiso zviviri zvaunoziva.
10.Kubva mugore ra1980 kusvika iye zvino kwava nemakore mangani?
NYAUDZOSINGWI
RONDEDZERO
CHIRWERE CHECORONA
Nyora rondedzero uchitsanangura zvaunoziva pamusoro pechirwere cheCorona.
Shandisa pfungwa idzi uye nedzakowo.
-kwachinonzi chakabva.
-zvachinoita.
-zvaunofanirwa kuita iwewe.
-chinobata vanhu vakaita sei.
-dambudziko rachakakonzera munyika.
NZWISISO
DETEMBO
PINDURA
1.”Inzvimbo yehurudza dzoga” zvinorevei?
2.’Dhiriri yakatanga kunaya’ yaidero…….
3.Mushandirapamwe zvinoreva ……….
4.Ndoupi ungaita musoro wenyaya iyi?
5.”Hurudza’ zvinoreva……
6.Chii chakakonzera kuti munhu asaenda kuminda mirefu?
7.Doma mabasa matatu aiitwa nehurudza dzekuminda mirefu.
8.Nyope zvinorevei?
9.Kuchururuka zvinorevei?
10.Ndechipi chairatidza kuti varimi vaibatsirana?
RONDEDZERO
PFUPISO
Nyora pfupiso ine mazwi makumi matatu kubva mudetembo rawaverenga.
UZHINJI
Isa muuzhinji mazwi anotevera.
Eg.Hwai Makwai
1.sadza
2.nyimo
3.mutakura
4.chingwa
5.chirwere
6.nherera
7.nyanga
8.nhanga
9.dohwe
10.pwere
11.baba
12.mugoti
13.roro
14.igo
15.rwaivhi
MADIMIKIRA
Tsanangura zvinoreva madimikira anotevera.
Eg.Kubereka toka kutiza
FANANIDZO
Sarudza izwi kanazita rinokodzera kuzadzisa naro chirevo.
Eg.Kana ukamudenha, murume uyu anorwa kunge shumba
MITSARA
Vakamitsara uchishandisa mazwi anotevera.
1.Zimbabwe
2.chinhambwe
2.maodzanyemba
3’cherechedza
5.kukosha
6.mukumana
7.hasha
8.rangarira
9.muroora
10.nyara
11.tsika
12.hadyana