Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 12

GRADE FIVE

SHONA
WORK BOOK
WEEK 3AND 4
NZWISISO
Verenga ugopindura mibvunzo inotevera

SHUMBA NEIMBWA
Zvinonzi kare kare imbwa yaigara musango ichirera vana veshumba. Mazuva ese shumba
yaivhima ichiuya nenyama kuzopa imbwa kuti idye pamwe chete nevana vayo. Zvino rimwe zuva
shumba yakanonoka kudzoka nenyama.Imbwa yakafunga kuti pamwe shumba yadyiwa nezvikara
zvesango.Yakabva yatanga kudya vana veshumba vese.

Ichangopedza kudya vana vese yakanzwa kudzvova ikaziva kuti ishe vave kuuya.Yakazivawo kuti
ikamirira kusvika kweshumba,payo panobva paiperera.Saka imbwa yakatizira mumusha
mevanhu.Nanhasi imbwa inogara mumisha mevanhu. Ndimo mainonoberekera mbwanana dzayo.
Nanhasi kana imbwa ikanzwa shumba ichidzvova haihukuri, asi kuti inomhanyira mumba mune
vanhu.

Pindura mibvunzo inotevera

1.Imbwa yaigara musango ichiitei?


2.Mwana weimbwa anonzi chii?
3.Ari kunzi ishe murungano urwu ndiani?
4.Imbwa inohukura, ko shumba inodini?
5.Kuti, ‘payo panobva paiperera’ kurevei?
6.Seiko imbwa yakafunga kuti shumba yadyiwa nezvikara zvesango?
7.Kana nhasi imbwa ikanzwa kudzvova kweshumba inoita sei?
8.Pamhuka mbiri dziri murungano urwu, ndeipi mhuka inotya imwe?
9.Seiko imbwa yakatiza musango ichindogara mumusha mevanhu?
10.Sekufunga kwako vanhu vakabatsira imbwa here?
ZVIVAKASHURE

Shandisa zvivakashure zvaunoziva panzvimbo yakodzera


Eg.Anofarira kudya sadza neusavi hwenyama.
1.Anogaro imba nziyo ….rudo pakati pevanhu.
2.Kufamba kusina mugumo…. Kamuparira.
3.Chipo musikana ane runako….noyevedza.
4.Sekuru vangu munhu ane moyo….refu.
5.Handisati ndamboona munhu ane tsitsi…..kadaro.
6.Vasikana vazhinji vane vhudzi….noerera.
7.Madomatisi nehanyanisi zvinoita mufushwa….kanaka.
8.Hope….. kamutadzisa kuchaira motokari zvakanaka.
9.Chando …. norova mumwedzi waChikumi.
10.Akandirova…..norwadza.
11.Chokwadi nhamo …ne nharo
12.Rwendo rurefu ….. noda manyetera.

RONDEDZERO
Nyora tsamba kuhama yako uchiikoka kumusha kwenyu pazororo rezvikoro
rinotevera uchiitsanangurira zvamunoda kuzoita pamwechete.
Shandisa pfungwa idzi ugowedzera nedzako.
-mazuva aunoda kushanyirwa
-zvirongwa zvako zvemazuva acho.
-vamwe vanotarisirwa kuti vachange varipo.

-zvimwe zvaunofarira panguva iyi.


TSUMO
Dzadzisa tsumo dzinotevera uchishandisa mazita emhuka.
Eg.Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba.

1.Kutumira …..kumukaka haridzoki.


2…… rakapona nehwaku mukwaku.
3…… kudya mufenje hufana nyina.
4…… zhinji hadzina marise.
5……yakashaya muswe nekutumira.
6.Mukuyu hauvinge ……
7….. hairemerwi nenyanga dzayo.
8….. huru haizvirumi.
9….. rudzi inozvara mwana ane ruzhumi.
10.Ane ….. yake anoziva makumiro ayo.
11.Kure kwe……. ndokusina mutsubvu.
12.Charova sei chando chakwidza…… mumuti.

MAZWI EZVIITO

Zadzisa zvirevo zvinotevera nemazwi ezviito aunoziva.


Eg.Amai vanobika bota remwana nemugoti mutsva.

1.Vana vaka….. mazhanje ndokusiya akazara pasi.


2.Akatsvaira chivanze achi……marara ese pamwe chete.

3.Pamauro vafudzi vano…… zvipfuwo zvavo vozviisa mumatanga.


4.Mapurisa aka…..mbavha vachienda nayo kukamba yayo.
5.Akaveza tsvimbo yake ndokui…….kuti ibve yotsvedzerera.
6.Kazhinji zvidhakwa zvinoonekwa nekufamba zvichi…...
7.Takashaya mazano eku……..moto kusvikira imba yese atsva.
8.Takazofara kuti munhu akanga achiri mupenyu patakaona achi……
9.Nekuti akanga arasa kiyi akato…….musuwo kuti apinde mumba.
10.Usati wanwa mushonga unofanira kumbou……..
11.Ndakasara ndichi…..moto kuti usavi hwaiva pamoto huibve.

12.Ndaka…… mbudzi yandakawana yakasungirirwa pamuti.

NZWISISO

NYIKA YEDU YEZIMBABWE

Verenga ndima iyi ugopindura mibvunzo yenzwisiso


Kubva zvakawana nyika yedu yeZimbabwe rusununguko mugore ra1980 zvinhu zvakawanda
zvakasanduka. Kurudziro yakatanga kubva kuHurumende yakabva yokuti mwana ega ega aende
kuchikororo kunodzidza kunyora nokuverenga. Vanhu vakapihwa mukana wokurapwa pasina
mubhadharo kune vasingashandi uye vaitambira mari iri pasi pezana remadhora nemadhora
makumi mashanu. Iyi yaiva nzira yokuchengeta utano hwemunhu wese. Chimwe chakaitwa
kugadzira migwagwa mumaruwa. Izvi zvakaitirwa vaya vaizofamba muzvikoro nokuzvipatara
kuti vafambe nyore. Dambudziko rakazobuda pakugadzirwa kwemigwagwa yakawanda nderekuti
zvifambiso zvakawanda. Kuwanda kwezvifambiso kwakabereka tsaona zhinji. Zvisinei, kurudziro
yokufamba zvakanaka zvakati twasa inopiwa kuvanhu mumapepanhau, terevhizheni.maredhiyo
nemuzvidzidzo zvemuchikoro. Pane tarisiro yokukunda jambwa retsaona munguva inotevera.

PINDURA MIBVUNZO
1.Nyika yeZimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere mugore ra……
2.Kuvhurwa kwezvikoro nekukurudzira dzidzo zvaitirwa kuti……
3.Mari yekugadzira mugwagwa yaipihwa…..
4.Nyora mhando mbiri dzevanhu vairapwa mahara.
5.Deripi dambudziko rakaunzwa nekuwanda kwezvifambiso.
6.Kana zvinhu zvakati twasa zvinenge…….
7.Nyora rimwe izwi rakafanana nekuti tsaona.
8.Zvidzidzo zvekufamba kwakanaka zvinobuda pai?
9.Nyora zvifambiso zviviri zvaunoziva.
10.Kubva mugore ra1980 kusvika iye zvino kwava nemakore mangani?

NYAUDZOSINGWI

Sarudza izwi rinofambirana nenyaudzosingwi yakapihwa.


Eg.Paakangondiona, akabva ati pwati kuseka.

1.Ndapedza kuverenga tsamba yake ndakati kunun’unu…..


2.Takangoerekana mukomana ati utururu…….
3.Hembe yaakanga akapfeka yakabva yati mwau………
4.Padzakaona shumba mhuka dzakati mwanda……
5.Pamuchato wake, mwenga aigaroti mweku……..
6.Akasara akangoti tuzu….. pachiteshi bhazi raenda.
7.Vana vacheche vanongoerekana vati buku ….. mukaka.
8.Mutambi wenhabvu akati tibvu……. bhora.
9.Vana vakazomuka kunze kwati hwe……..
10.Bhora rakati ngori……… mugedhe.

RONDEDZERO

CHIRWERE CHECORONA
Nyora rondedzero uchitsanangura zvaunoziva pamusoro pechirwere cheCorona.
Shandisa pfungwa idzi uye nedzakowo.
-kwachinonzi chakabva.
-zvachinoita.
-zvaunofanirwa kuita iwewe.
-chinobata vanhu vakaita sei.
-dambudziko rachakakonzera munyika.

MAZWI ANOREVA ZVAKAFANANA

Nyora izwi rakafanana nerakapihwa.


Eg.munyama jambwa
1.kushushikana
2.kuvhika
3.tambira
4.vaZungu
5.kugogodza
6.nhumbi
7.kumhoresa
8.mauro
9.kukurumidza
10.kudeuka

KUZADZISA PAKASHAMA NEZWI RAKAKODZERA


Eg.Mombe isina nyanga inonzi nzuma.
1.Munhu akarasikirwa nemazino anonzi ane…….
2.Munhu anoda zvekuonererwa anonzi ane…….
3.Nhamo yekushaya zvekupfeka inonzi…….
4.Sadza risina kunatsoibva rinonzi…………
5.Masiriri anobuda munhu akarara anonzi……
6.Manheru kana kwakachena kunze kunonzi kune……..
7.Manheru kana kwakasviba kunze kunonzi ku……..
8.Mwana wehanga anonzi……
9.Imba inorara vasikana inonzi…….
10.Imba inorara vakomana inonzi…….
11.Mari inopihwa baba panoroorwa mwanasikana vavo inonzi………
12.Hukurume inonzi…………

NZWISISO

DETEMBO

Verenga detembo rinotevera ugopindura mibvunzo inotevera.


Iyi inzvimbo yehurudza dzoga.
Dzoga kumaruwa nyope dzaisiiwa.
Kuminda mirefu vazhinji vakaenda.
Varefu vanenge nzira.
Kuvaka misha kwakava chipata pata.
Nenguva isipi misha yakamira
Dzakaonekwa, nyope hapana
Neshungu zhinji rakanga ratova kure.

“Dhiriri” yakatanga kuti poso kunaya.


Kuchururuka waiti yaibva mudende.
Mangwana kuminda vakafumura
Dzakaonekwa nyore hapana
Nokukwira kwavo zuva mudenga.
Asina mombe, anadzo kwaiva kubatsirana.
Hurudza dzakaratidza kushandira pamwe.

PINDURA
1.”Inzvimbo yehurudza dzoga” zvinorevei?
2.’Dhiriri yakatanga kunaya’ yaidero…….
3.Mushandirapamwe zvinoreva ……….
4.Ndoupi ungaita musoro wenyaya iyi?
5.”Hurudza’ zvinoreva……
6.Chii chakakonzera kuti munhu asaenda kuminda mirefu?
7.Doma mabasa matatu aiitwa nehurudza dzekuminda mirefu.
8.Nyope zvinorevei?
9.Kuchururuka zvinorevei?
10.Ndechipi chairatidza kuti varimi vaibatsirana?
RONDEDZERO
PFUPISO
Nyora pfupiso ine mazwi makumi matatu kubva mudetembo rawaverenga.

UZHINJI
Isa muuzhinji mazwi anotevera.
Eg.Hwai Makwai

1.sadza
2.nyimo
3.mutakura
4.chingwa
5.chirwere
6.nherera
7.nyanga
8.nhanga
9.dohwe
10.pwere
11.baba
12.mugoti
13.roro
14.igo
15.rwaivhi
MADIMIKIRA
Tsanangura zvinoreva madimikira anotevera.
Eg.Kubereka toka kutiza

1,kutsenga mvura ichibuda masese…….


2.Kuita gonzo nachin’ai……..
3.Kuita mukombe nechirongo………
4.Kuita tsika nditsikewo………
5.Kuita bande nebhurugwa……
6.Kuigochera pautsi……
7.Mudzimu wafuratira
8.Mukadzi pane vamwe varume.
9.Haana hana.
10.Ane moyo wehuku.
11.Ane meso meso.
12.Anozvitutumadza.

FANANIDZO
Sarudza izwi kanazita rinokodzera kuzadzisa naro chirevo.
Eg.Kana ukamudenha, murume uyu anorwa kunge shumba

1.Hatidi vanhu vane bwoni se…..


2.Kukuvara kwaaita kwaimurwadza se…
3.Hakunazve mhuka inotyisa se……
4.Nhata tupuka twakadupuka se…...
5.Pamutambo wenhabvu hapadi vanechinono se……
6.Zvinotava nemutungamiri akachenjera sa……
7.Hazvina kunaka kuswero dzungaira se…..
8.Chokwadi kumwe kudya kunofinha se……
9.Murume uyu anoruta zvekurwerwa rute se…..
10.Kudya kwaakandipa kwakanga kwakanuna se……

MITSARA
Vakamitsara uchishandisa mazwi anotevera.

1.Zimbabwe
2.chinhambwe
2.maodzanyemba
3’cherechedza
5.kukosha
6.mukumana
7.hasha
8.rangarira
9.muroora
10.nyara
11.tsika
12.hadyana

You might also like