Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 4352

*ANENYASHA*

*Written by Makalulue*

*Edited by Ellena*
*Chapter 1*

*ANENYASHA*

Takurarama munyika yakasiyana


nekare asi isu kuno kumusha tichiri
kurarama hupenyu hwairaramiwa
nemadzitateguru edu. Tiri kuitiswa
zvinhu zvaiitwa nana sekuru vedu.
Ayyy dunhu redu mutemo wacho
wakaoma. Mambo wacho pane
zvimwe zvinhu zvatisingafanirwi kuita
sevasikana venzvimbo.

After three months panoita mambuya


anotitarisa kuti tichiri mhandara here.
Kana ukangowanikwa usisiri
mhandara unobva watodzingwa
mudunhu but chinhu chinondinakidza
kana munhu anenge atora
humhandara wako achigara
mudunhu rimwe chete munodzingwa
mose.

Yes zvinorwadza asi vanhi


vatozvijaira hazvichavarwadzi asi
vechidiki manje ayy hazvijairiki izvi.
But we dont have choice tongotamba
iri kurira.
Hazviiti kuti tirwadzise vabereki vedu
kana tadzingwa. Hazviiti kuti
tidherere dzidziso yatakadziziswa
nevabereki vedu. Ini kumba kwedu
takazvarwa tiri six.

Mukoma wangu first born Kurai


akaroora kozoti Sarah anotevera
Kurai kozouya Paida kozoti ini
nemutwini wangu Anengoni.
Kumba kwedu kune mutemo shame
apa ndini ndega musikana akadzidza
kusvika aenda ku university.
Parizvino ndiri pagore rechitatu. Ndiri
kunamata kuti vasazondichinjira havo.

hazvingaiti kuti ndapedza zvakanaka


chikoro pandinoti ndakupedza zvose
konzi ndisiye. Now tiri pa holiday ya
December tiri kunochatisa mwana
wepa next ko handiti ari kunochata
nemwana wa Mambo anova ndiye
atora chigaro che Humambo. Saka
kuti aite Mambo chaiye anofanirwa
kuva nemukadzi. Zita rake anonzi
Munyaradzi Zvayi.

Shuu vasikana vanomuda mukomana


iyeye yoo. Vasikana pavanomuona
achizvifambira unongoona
nezvivakashure zvakutambiswa.
Zvino iye haatorina basa navo. Manje
tiri kumba kwevamwe mai tiri
kudzidziswa kutamba sezvo sezvo
mangwana uri muchato wemwana
wa Mambo.

"Nhaiwe Sarah" Mhamha vakadaro

"Chienda asi utarise munin'ina wako


uyu asakwira achidzika nevakomana"
mhamha vakadaro ndakarola maziso
angu
"Why ndichifanirwa kutariswa ? Ko
nzvimbo yekwedu handichaizivi
here?"

"Tozviziva sei hanti munopengeswa


ne Harare imwi . hameno kuti
munorarama sei ikoko. Ini
zvinondishamisa nemutemo
wakuitwa pamusha pano kuti
mukadzi akufanirwa kudzidza
zvekuenda ku university" Mhamha
vakadaro
"Asi mhamha nei muchida kuti
tirarame zve chinyakar--"

"Chero zvakadaro asi mutemo


ngautevedzerwe nei wakachinja pauri
chete"
"Im not living for ͯim living for
myself"

"Ndizvo zvinhu zvinondibhowa pauri


zvimangwiri ngwiri zvauri kutaura"
mhamha vakadaro Ngoni akaseka
akanditarisa
"Mhamha takuenda isu. Ohh
tichaenda baba vasati vadzoka here?"

"Ehe endai baba venyu vari busy


kubasa nhasi havauyi" mhamha
vakadaro

ndakaenda mu room mangu


ndichitora mbatya dzekuchinja. Moyo
wangu wakarwadza pandakatarisa
ma trouser angu andopfeka ku
university. Zvino yoo kuno chero
kuchitonhora sei haapfekwi.
Zveshuwa tiri kurarama hupenyu
hwairaramiwa nambuya nehanda.
Takabuda naSarah takuenda.

Makuseni mambuya akamuka


achititarisa tose taiva mhandara,
vapedza takapfekeswa madehwe.
Ayy ini handizvifariri izvi but ndingaita
sei hangu kutongotamba iripo.
Mambo zvavo mitemo yavo yoo uye
haipikiswi. Takazobuda takuendesa
muroora kwa Mambo.

Zvinhu zvose zvakafamba zvakanaka


muroora ne mukwasha vakachatiswa
asi from nowhere muroora
akadonhera pasi achibva atotisiya
ipapo. Kuti chii chaiva chaitika
hapana anoziva. Izvi zvakarwadza
zvakanyanya kumunhu wese achiona
muroora angoti rabada
asingachafemi.
Ini zita rangu ndinonzi Anenyasha
Zhou ndine makore gumi nemaviri
ekuberekwa ndakazvarirwa kumusha
kuMasvingo.

I dont understand zvinhu zvaitika


kwaMambo ini munhu ongodonhera
pasi obva atoshaya tjoo ayy life is too
short.
Muchato wakabva watopera tichibva
taenda kumba takasvika tichigara
pasi maiguru na Sarah vaitipakurira
chikafu

"Nyasha dzababa kubva wanyarara


kudaro uri kufungei?" Baba
vakabvunza
"Ndiri kufunga baba"

"Uri kufungei kudaro?"


"Baba nhasi kwashaya munhu anga
asingarwari ari munhu ari right.
Tanga tichitamba naye husiku hwese
asi nhasi haasisipo apa hapana
zvaitwa nyaya yacho yangopera
yakadaro"

Pakamboita runyararo
"Zvinowanikwa izvi pamwe airwara
asingaudzi vanhu semunhu aida
kuzoita Mambokadzi aifunga kuti
akasataura aizozviruza" mhamha
vakadaro vachiseka

"Handifungi kudaro ini there is


something beating water here"
"Iwe hanti unoziva zvose tiudze kuti
chii chaitika paari" mhamha vakadaro

"Haa mhamha mwana avhunduka


chete" mukoma Kurai vakadaro
"Ini hangu handizvinzwisisi chero
mhuru yacho yangonyarara kunge
pasina zvamboitika. Iko
zvichimboitirwei zvekuti musikana
anoroodzwa kwaasingadi ayy
nzvimbo ino ichabudirira when vachiri
kumashure shame"

Zvichakadaro Ngoni mu twin wangu


akabva apinda
"Iwe Ngoni uri kubvepi nguva dzino?"

"Haa baba mungandibvunza izvozvo


munhu mukuru akaita seni here?"
Ngoni akadaro
"Uri munhu mukuru kunani?" Baba
vakabvunza

"Haa baba Ngoni akura uyu uye


murume ka" Kurai akadaro
"Kana achiri kugara pamusha pano
achiri mwana" mhamha vakadaro.

shuu pamusha pano here. Mutemo


wacho kuita sevari kuutora kwa
mambo zvayo lol. Tapedza kudya
takasuka ndiri ini ndichibva ndaenda
mu room mangu.
Ndakatanga kufunga nezvakufa kwa
Tendai. Tendai anga
asingatomboratidzi kuti anorwara asi
nhasi haasisipo. Eshh nyika ine vanhu
vavo shuwa.
ndakatora foni yangu nekuti ndaida
kutaura neshamwari dzangu dzeku
UZ. Zvichakadaro Talent shamwari
yangu akabva afona

"Talent"

"Warara?"
"Hope dzingabata here nezvaitika"

"Yah pakaipa wena"


"Hanti vanhu vemudunhu rako
vanoroya" Talent akaseka

"Ndokuziva pane wauri kufungira. Uri


kufungira ani?"
"Obvious ndi mama Ethan hapana
umwe" ndakadaro tichipera nekuseka

"Haa mwana wavo Munyaradzi


vangazviitirei?"
"Mwana we murume wavo ivo
havamuzvari pamwe vanoda kuti
Ethan iye aite Mambo"

"Ihh asi wataura chokwadi"


"Mai inoroya iya chero ichifamba
unotoona kuti iyi step ndeyemunhu
anoroya"

"Haa Nyasha" Talent akadaro


achipera nekuseka

"Saka Munyaradzi akafanirwa


kushara umwe zve mukadzi?"

"Hauzivi iwe kuti vasikana vanga


vachifara sei kurwizi umwe neumwe
achiti ndiye achasharwa kuita
mambokadzi"

"That's disgusting mwana wevanhu


ashaya ivo vari kufarira murume
arggg"

"Ndozviripo Nyasha"

"Ohk Tale urare bhoo pamusha pano


panomukwa na six saka ndofanirwa
kukurumidza kurara" Talent akaseka
"Urare mushe chomie" Talent
akadaro tichionekana.

Ndakapinda pa facebook. Moyo


haubvumi kuti ndirare ndisina
kupinda pa facebook Zvichakadaro
ndakawana pane munhu aiva
andisendera friend request. Ainzi
Charmer boy

ohh wow charmer boy.


Ndakamhanyira kuma photos ake asi
paiva pasina chinhu. Nxa anopenga
nei achishandisa ghost
account.ndichiri kutsvaga pa account
yake akabva andisendera message
"Beautiful girl"
Ndakarola maziso

"Hey" ndakamupindura

"Wow you're so beautiful i want to be


your friend"

"Kana uchida kuita friend yangu isa


picture"

"Ahh zvekutora ma picture


handizvifarire"
"Hayi then kana usingadi kutora ma
picture siyana neni"

"Your wish is my command madam"


Ndakadzungudza musoro
ndichidzima data ndichibva ndarara

*Zvayi household*
Pamuzinda waMambo vanhu vose
vaiva vakaungana vachitaura
nezvenyaya yaiva yaitika masikati.
Mambo vaiva vakagara nemachinda
avo ne vanakomana vavo

"Tose taona kuti chii chaitika


masikati. Muroora angodonhera pasi
achibva atoshaya" Mambo vakadaro
"Zvinorwadza izvi baba. Mukadzi
wangu angodonhera pasi achibva
atoshaya" Munyaradzi akadaro

"Ethan enda unodana vana mai vako"


Mambo vakadaro
Ethan akasimuka. Mambo aiva
nevakadzi vana umwe akashaya. Mai
Munyaradzi ndiye mukadzi
wekutanga kozoita Mamoyo kozoti
mama Ethan ndivo mukadzi mudiki.
Ethan akasvika achivadana

Vakasiya zvavaiita vachienda


kwavaiva vadamwa vakasvika
vachigara pasi

"Tauya baba" Mamoyo akadaro

"Tose taona kuti chii chaitika


masikati" Mambo Zvayi vakadaro
"Ehe baba zvapamha zve zviya" mai
Munyaradzi vakadaro

"Vava vaviri vakadzi va Munyaradzi


vachingofa nezuva remuchato"
Mambo Zvayi vakadaro
"Ini ndoona sekuti Munyaradzi ndiye
ane munyama..why achiti kana
oroora vana vevanhu vanofa pamwe
vadzimu ndivo vasingadi. Madii
kuchinja mambo muise umwe uyu
Ethan anokwanisa kuita mambo"

"Mainini shuwa" Munyaradzi akadaro


"Ethan mwana mudiki haazivi chinhu
uyu. Kunze kweizvozvo Ethan mwana
wemukadzi mudiki saka hazviiti
chero tikabisa Prince pahumambo
Ethan hazviiti zviri nani tiise Tichaona
uyo"

"Ko izvo zvinokonzerwa neiko


zvekufa kwevana ava?" Mamoyo
akabvunza
"Hatiziviwo n'anga haitiudzi chinhu.
Parizvino gadzirirai svondo rinouya
tiri kuviga muroora" Mambo vakadaro.
Madzimai akabvuma

"Prince wakura mwanangu kana


tapedza kuviga muroora
uchanozvitsvagira iwe mukadzi
wekuroora"

"Baba tadii kumbomira nezve vakadzi.


Zvinobatsirei kuunza vana vevanhu
pano vachifa. Vakawanda vanhu
vanoda humambo saka vavengi
vakawanda ngatitangei tatsvaga
solution pakufa kwevana vevanhu
then tozoona zvekumberi"
Munyaradzi akadaro
"Ichokwadi baba vana vevanhu
varikupera ngatitangei tagadzirisa
nyaya iyi tozobvumira mukomana
kuti anotsvaga mukadzi" mai
Munyaradzi vakadaro

"Munyaradzi mwedzi unouya


anogadzikwa pahumambo zviri
pamutemo saka haangagadzikwi
asinamukadzi" Mambo vakadaro

"Ini ndinoona sekuti mainini vanga


vachitaura chokwadi baba isai umwe
pachigaro. Kana Tichaona uyu hanti
ane mukadzi" Munyaradzi akadaro

"Aewa ndini ndinotaura izvi, parizvino


endai munogadzirira kuvigwa kwe
muroora" Mambo vakadaro
Madzimai akabuda ose kukasara
mambo na Munyaradzi

"Munyaradzi"

"Baba"
"Wava murume manje mwanawangu
saka unofanirwa kutsvaga mukadzi
nekukurumidza nekuti ini
ndakatarisira pauri pazvinhu zvose
izvi"

"Ndiri kukunzwai baba ndichaita


sekudaro,"
"Ohk rega ndimbofurwa ne mhepo
ndinodzoka" mambo Zvayi vakadaro
vachisimuka vachibuda vachienda.

*Narrated*
Makuseni Anenyasha akamutswa ne
message yepa facebook aiva
charmer boy

```morning beautiful```

```my picture```
```haa makuseni ano here? Handisati
ndatombokwesha mazino```

```ohk bye```

Anenyasha akabva atobuda pa


facebook nekuti aiona kuti munhu
uyu anokwanisa achimuziva
*****************

Mai Sarah vaiva vakagara nemurume


wavo vachikurukura

"Ewuu munhu anofanirwa


kunobatsira kwa Mambo sezvo
vafirwa" VaZhou vakadaro
"Ichokwadi Mushavi hamuna kunzwa
here kuti mambo mudiki achashara
zve rinhi mukadzi"

"Iwe unei nekushara mukadzi kwa


mambo? Asi wakuda kuroorwa na
mambo?"
"Aewa zve baba honai. Mukadzi
achasharwa na mambo vekumba
kwe mukadzi vanobva vatopfuma
hamuzvioni here. Hapana munhu
asingadi kuti mwana wake aroorwe
kwa Mambo"

"Izvo zvinozivikanwa na Mambo isu


hatinei nazvo"
"Hazviiti here kuti Mambo ashare
pano? tine vasikana nesuwo pano?"

"Ndakuudza kuti Mambo ndiye ane


simba rekuzvitsvagira mukadzi
waanoda"

"Asi Nyasha anofithwa kuita mambok


--"

"What? Mai Sarah wave kupenga here?


Mwana wangu mudiki uyu!!! Uye
achiri kuchikoro anofanirwa kutanga
apedza zvidzidzo zvake ozoita
zvimwe"

"Hayi baba hayi kubva rinhi


uchisarudza vana. Pano mwana
umwe anofanirwa kuroorwa na
mambo. Uye ini nyaya yekuti mwana
wako adzidze vamwe vana
vasingadzidzi handiifariri"

"Mai va Anenyasha vaida kuti vana


vake vadzidze kusvika pavadira"
"Ohh izvi munozviita nekuti vana va
Dzingai ini van--"

"Haa uri kupindurana nani mai


Sarah?"

Mai Sarah havana kuzopindura


vakatarisa pasi. Mutemo wacho
panzvimbo ino varume
vanoremekedzwa zvakanyanya kwete
zvekunyebera.

"Ruregerero. mushavi"

"Ndoda mvura yekugeza manje kwete


ngano yauri kundiitira iyi"
"Ehoyi baba" mai Sarah vakadaro
vachibuda vachinogadzirira murume
wavo chikafu

*ANENYASHA*
*FEW WEEKS LATER*

Eish zvepamusha pano zvakaoma


wee. Munhu anomutswa nasix
makuseni. Seven inochaya
ndatopedza basa rose remumba..
Chero ndapedza pandinenge
ndichifunga kuti ndakuzorora kunonzi
ndiende ku garden.
Yes chikafu chinorimwa chinonaka
asi yekuti ndini ndinofanirwa kunoita
basa ku garden handiifariri hangu.
Ndichangobva ku garden
pandinogara pasi foni yangu inobva
yarira ari Talent

"Tale"

"Chomie kumba kwedu hakuna huni


ndokumbira undiperekedze kugomo
im sure nemwiwo kumba kwenyu
munodzida"

"Ohh my gosh zvarinhi"

"Manje"
"As in now?"

talent akaseka

"Yes"
"Okay better iwe uuye undiudze mberi
kwe vabereki vangu unovaziva
mhamha ndikavaudza kuti
wandifonera blah blah"

"Iya ndatokanganwa kuti mhamha


vako vane drama" Talent akadaro
achipera nekuseka
Takazoonekana ndichibva ndaenda
kwaiva kwakagara family

"Nyasha dzababa pane zvauri


kutsvaga"

"Aewa baba ndakaneta nhasi


ndashandisa"
"Nyasha hauna ma assignments
here?"

"I holiday manje hakuna mabhuku ari


kuverengwa mhamha vakadaro

"Ohh kutokanganwa" Paida akadaro


ndakabva ndagara pasi. After some
minutes Talent akapinda

"Makadii?

"Uri sei mwanangu?" baba vakadaro


"Ndinosimba baba ndauya kuzotora
Nyasha kuti tiende kuhuni"

"Dzababa wati wakaneta


uchakwanisa here kunotsvaga huni"
"Hakuna musikana anoneta
kwaucharoorwa uchaita sei tora
tambo nehata uende kunotsvaga huni
zvagara hadzipo" mhamha vakadaro

"Ndichaenda baba ndakaguma kare"


"Shuwa here?"

"Ehe baba"

"Nhasi tichaonerera zvedu" Paida


akadaro vachindiseka
ndakanotora hata netambo tichibva
taenda. Mugomo maiva makazara
vasikana vaitsvaga huni. Foni
yakapinda message yeku facebook

```hello my beautiful friend ```


ndakabva ndatomupindura

"Handisi shamwari yako charmer


```you accept my request meaning
kuti uri shamwari yangu newevo uri
shamwari yangu```

```where is my picture?```

```ohh you cant wait to see me```


```nxaa ndaneta nekutaura nechipoko
ini```

```so sweet```

Jesus manje achinja zita akunzi Luck


charmer.

```Are you luck charmer again?```

```yes why```

```youre an imposter stay the hell


away from me you scandal````

ndakabva ndatodzima data.


Ndakatarisa Talent ndikamuwana
achinyemwerera akanditarisa.

" what?"
"Secret admire?"

"Nxaa anondipengera uyu anofunga


kuti ini ndingataura nezvipoko"

"Nei uchimuti chipoko?"


"Profile yake haina chinhu izvi
zvinoreva kuti chipoko"

Talent akaseka tichibva tatanga


kutema huni dzedu tichibva
tadzokera kumba. Pandakasvika
kumba havana kundi believer
pandakasvika nesvinga rehuni
"Ndozvinoita vasikana izvi" mhamha
vakadaro

"Shuu ndakaneta mhamha apa nzara"

"Rega ndikupakurire gotwe rekwedu"


sisi Sarah vakadaro
zvichakadaro Themba mwana wa
mukoma Kurai akandimhanyira
achindihaga. Pandakaenda kuchikoro
aiva asipo aiva akaenda kumba kwa
mai vake

"Tete mauya rinhi?"


"Ahh hanti iwe wakanditiza here?"

"Ndauya tete makati muchandivigira


ma toys"

"Ehe ariko hande mu room mangu"


ndakadaro ndichimubata ruoko
tichienda mu room mangu.
Ndakavhura bag ndichitora ma toys
ndichimupa

"Thank you so much tete wow"


Themba akadaro achitora ma toys
ake achigara pasi achitambisa ma
toys ake

chikafu chakauya ndakachirova


kusvika ndashandurira ndiro.
Ndakazorangarira kuti tavimbisana
na Talent kunochera mvura.

ndakabva ndatotora mugomo wangu


ndichienda kurwizi ndakawana
atovapo nevamwe vasikana vemu
area

"Wanonoka" umwe musikana anonzi


getty akadaro
"Haa ndanga ndichambofara
nemupfana wangu

Takagara pasi tichitanga munyii


hameno vaiva vautora kupi.
Zvichakadaro ndakaona vasikana
vose vachigwadama vachikotamisa
misoro.ndakapera zvangu nekuseka
ini
"Muri kuitei guys?"

"Mambo uyo" Talent akadaro


achizevezera. Ndakabva
ndagwadama nekukurumidza

"Simukai henyu" Munyaradzi akadaro


Ndakaona vasikana vachitanga
kuzvigadzira hembe vamwe
vachimona zvivakashure zvisipo ko
hanti vanoda kuti mambo avaone

"Tsvarakadenga ndokumbira kutaura


newe"
ndakavhunduka pandakaona maziso
a prince akati njoo kwandiri

"Mambo wangu asi pane


zvandatadza"

Akatarisa pasi achinyemwerera


achibva atitarisa zve
"Ndokumbira mutipe nguva ndoda
kutaura ne tsvarakadenga iyi" Prince
akadaro

vasikana vakabvuma vachibva


vasuduruka. Hana yaiva yorova
kwandiri. Kubva zvandakazvarwa
handisati ndambotaura nemwana wa
Mambo ini. Iye aingonyemwerera
asingapedzi
"Unoziva ndanga ndochifurwa
nemhepo nemachinda angu asi
pandangonzwa izwi rako uchiseka
ndatadza kuzvibata ndiro randisvitsa
pano. Handidi kukunyebera mwana
wevanhu wakanaka" Munyaradzi
akadaro

Ndakapeerwa kuti ndomuti kudiu


"Ohh thank you so much my king"

"Eish kana uchiti my king ndonzwa


moyo wangu uchiita kunyungudika
chaiko ndonzwa kuda kukupa moyo
wangu iwe undipe wako"
ndakasimudza musoro
ndichimutarisa
"Handisi kunzwisisa ini"

"Haunganzwisisi parizvino asi


ndinokuvimbisa uchanzwisisa hako"

"Mambo ndinoona sekuti ini newe


hatisi panzvimbo imwe chete iwe uri
ku Harare ini ndiri ku Gweru, what are
you trying to say i dont understand?"

Akabva anyemwerra

"Ohk ngatisiiye pano tsvarakadenga


zvandanga ndava kutopedza nyaya
yose ndisati ndaziva zita rako
" ndinonzi Anenyasha Zhou"

"Ohh Mhukahuru mutsikapanotinhira


hayi mandlovu une nyasha sezita
rako"

"Ndinotenda"
"Anenyasha wow ndokumbira uite
nyasha wa Munyaradzi "

Huhh handina kumupindura


ndakatendeuka one time ndini uyo
ndichitandanisa mhepo. Ari kuedza
kuti kudiiko Munyaradzi wacho.
Talent ainditevera kumashure
achindidana asi handina kumbomira.
Ndakamhanya ndichienda kumba
kwedu
end of chapter
https://chat.whatsapp.com/Bteuskxx
dSyClNRIHoy0wp

*ANENYASHA*
*Written by: Makalulue*

*Edited by: Ellena*

*Chapter 2*
*NARRATING*

Munyaradzi ari kutadza kuzvibata


netsvarakadenga yaaona kurwizi,
munzira ari kungoonekwa
achinyemwerera ega
"My king kubva manyemwerera
kudaro kunge mupfanha mudiki
kwakanaka here?" Jinda rakabvunza

"Eish Fatso haungazvinzwisisi


zvandiri kunzwa mukati. Idai so Fatso
ndokumbira uende kumba ndoda
kumbofurwa nemhepo ndiri ndega
ndichauya kumba kana ndaneta
nekugara pano" Munyaradzi akadaro

Fatso akanyemwerera. "My king"


Fatso akadaro achienda

Munyaradzi akanogara padombo


raiva pedo nemuti aingonyemwerera
asinga pedzi paaifunga nezva
Anenyasha. Vakawanda vasikana
vemudunhu rino asi vamwe haavazivi
vazhinji vacho anovaziva.
Anozvibvunza achizvipindura kuti
tsvarakadenga yakanaka kudai
inobvepi ndikare achimbeya
achitsvaga munhu waanoda
achimushaya ndikare achichatiswa
nevanhu vaasina mafeelings navo.

Aiva akagara padombo achiyeva miti


neshiri dzaibhururuka mumaziso
epfungwa aioa zvakawanda aizviona
ava nemusha naAnenyasha wake
vachikwira mugomo vachinokacha
shomho vachitanha shumha,
matohwe, nyii zvevanhu vari
kufadzana. akatarisa shiri
dzichibhururuka dzichimhara.
Aizviona ava nemwana wekwaZhou
achinyemwerera mazino ake
machena achibuda pachena,
anofunga zve ari mugomo
naAnenyasha vakabatana maoko.
Munyaradzi haasi mukomana uya
wekuti anoendesa mudiwa wake
munzvimbo dzechirungu dzakaita
sana Landon, Dubai, Paris iye kana
aenda kugomo achiona runako
rwemiti nemhuka zvakangodaro daro
anenge atoitira mudiwa wake
zvihombe. Vakaenda musango
voteya mhuka neshiri vachidzibata
vachigotya musango vachidya kwaari
zvinenge zvitori zvinhu zvihombe.
Zvechizvino zvino vanoti ipicnic
naiyevo kana apinda mugomo
nemudiwa wake vakadya muchero
nezvimwewo zvakasiyana siyana
ndiyo picnic yake. Asi Kuti
achazvibvuma here Anenyasha?
hupenyu hwekumaruva
achahukwanisa here ana kuti iye
anoda hupenyu hwemudhorobha?
kuti ava ready here kuti aite mukadzi
wekwaZvayi akurise musha
wekwaZvayi? Aingonyemwerera
mwana wekwaZvayi ainzwa sekunge
atova nemukadzi
*Anenyasha dzaMunyaradzi*
Munyaradzi akadaro achinyemwerera

"What if akatorwa? but no


anogotorwa sei ini ndiripo
ndichimuda hakuna zvakadaro"
Munyaradzi akadaro
¥ ¥ ¥ ¥ ¥ ¥ ¥

On other side Anenyasha naiyevo


aiva akazvivharira muroom make
achifunga zvinhu zvaiva zvaitika
kurwizi akaerekana ava kuchema
"No no no ndoda kudzidza ini
mukomana uya anga achirevei paati
anoda kundipa moyo wake ini
ndimupe moyo wangu. No im still
your for marriage, I want to persue
my dreams I want to travel to the wild
world" Anenyasha akadaro
achisimuka achimbeya mumba make
*Ndoda kuona nyika yose ini I want
to experience to some other staff
that I don't know and see different
things. My first wish is to visit Paris,
Dubai all over the continent. no ways
handingati ndakazvarirwa pano
ndobva ndaperera pano no hakuna
zvakadaro. This is not the life that I
want to live ndofanirwa kutaura
nababa ndidzokere kuHarare. Dai
zvaibvira ndatodzokera nhasi*
*ANENYASHA*

Ndakagara kudaro pamubhedha


ndakanzwa mota yababa ichipinda
pagedhi pavakangopinda mu room
mavo chete ndakamhanya
ndichienda kwavari
"Princess unenge une zvauri kufunga
kwakanaka here ?uye unorakidza kuti
wanga uchichema?" Baba
vakabvunza

"Aewa baba chete ndiri kunzwa


musoro"
"Wamwa mushonga here?"

"Aewa wangova musoro wenguva


diki wapora hawo"

"Okay mwanangu"
"Baba pane zvinhu zvandinoda
kukubvunzai"

"Chii manje mai Mushavi?" Baba


vakabvunza vachinogara
pamubhedha ndakavatevera neniwo
ndichigara pasi
"Ndichaita example yenyu namhamha
vangu"

Pandakataura nezvamhamha
vakanyenwerera
"Ndakateerera princess"

"Baba let's say mosangana


namhamha munzira mobva
mavaudza kuti munoda kuti
kuchinjana moyo ivo vokupai wavo
imwi motora wavo zvinenge
zvuchirevei izvozvo baba?"
Baba vakandiseka vachinditarisa.

"Princess pane munhu ambotaura


izvozvo here kwauri?"
"Aewa baba ndiri kungo bvunza
chete"

Baba vakabva vaseka. "Kana


ndichidaro ndinenge ndichireva kuti
ndinoda kuti uve wangu iwe utore
moyo wangu ini ndotora wako
kutokuroora zve uku mwanangu"
baba vakadaro ndakabva ndatarisa
pasi

"Nei wabvunza mubvunzo iwoyo?"

"Aewa baba handiti munoziva kuti ini


ndoverenga manovels mufoni mangu
saka ndangosana nazvo mune rimwe
nov ndanga ndisina kunzwisisa"
"Okay ndiri kukunzwa mwanangu,
nezuro waiitei kuma1 ndakaona
muroom mako makabatidzwa
mwenje?"

"Oooh baba pane zvinhu


zvandainyora"
"Ndinodada newe mwanangu ndiri
sure kuti mhamha vako pavari
vanodada newe"

Ndakabva ndanyemwerera. "I wish


dai vachiripo panyika handiti dai
zvichinakidza here"
"Neniwo ndinovafunga mhamha vako
mwanangu unoziva kana
ndakakutarisa ndinoona ivo chaivo
pauri newewo wakanyanya kufanana
namhamha vako"

"Munhu wese anodaro baba anoti


ndinofanana namhamha.
Munondishamisa kana muchiti chero
zviito zvangu ndimhamha"

"Mai vako chaivo asi makazosiyana


pashoma hapo"

"Papi pacho baba?"


"Mai vako vaiva musikana wemutown
kuHarare akakurira kuHarare asi
paakangotanga kudanana neni
akatanga kudzidza hupenyu
hwekumamisha. Uye akadzidza
kusvika adarika vanogara kumamisha.
I manje wewe unoratidza kuti
hupenyu hwekumamisha ayy
haukendeke" baba vakadaro
vachiseka
"Neniwo ndinozvida zvinhu
zvekumusha baba asi ayy zvinobva
zvatoita worse zvimwe zvinondikurira
ini"

"Une ropa rekutown mwanangu


handizivi kuti nei nekuti wakakurira
kumamisha"
"Maivada zvakanyanya mhamha?"

"Kudarikidza mwanangu"
"Kana zvakadaro nei makazoroora
umwe mukadzi ivo varipo?"

Baba vakabva vatarisa pasi.

"Haunganzwisisi mwanangu"
"Ndiitei ndinzwisise baba"

"Isu kumamisha kuno mutemo unoti


murume anofanirwa kuva nevakadzi
vaviri"
"Ooooh nzvimbo ino veduwe, ko nei
ine mutemo wechinyakare?"

"Ndizvo zvinhu zvakaita kuti nditore


mukadzi wechipiri"

"Okay baba ndokumbira ku zorora


muroom menyu kana ndakarara
muno ndinonzwa runyararo"

"Rara hako mwanangu" baba


vakadaro

Ndakabva ndakwira pamubhedha


wababa ndichirara. After some
minutes mhamha vakasvika
ndakanyebera kurara

"Mushavi" mhamha vakadaro

"Sshh mwana akarara


uchamukanganisa" baba vakadaro
Mhamha vakavhura maziso. "Mwana
?akarara! Ndiani mwana,
Anenyasha?" Mhamha vakabvunza

"Ehe mwana uyu" baba vakadaro


"Mushavi wakatanga rinhi kuti
mwana arare pamubhedha wako,
zvakatanga rinhi zvekuti tirege vana
vachirara muno pane mwana here
pamusha pano ane mvumo
yekupinda muroom mako kunze
kwekuti kana adamwa nemwi chete
kana kuti mamutuma? Kuzorara
aewa mazvinyanya baba"
"Akaneta saka zvanga zvisingaite kuti
ndimurambidze, kunze kweizvozvo
Anenyasha kwandiri achiri mwana"

"Akaneta? akaneteswa nei? Mushavi


musabata mwana nenzira yakadai
munoziva chinhu chandakaona
pamuri uyu mwana ndiye anodiwa
kudarika vamwe vana"
"Mai Sarah hakuna mwana anodiwa
kudarika vamwe vana. Vana vangu
ndinovada zvakaenzana uye
Anenyasha usamufananidza
nevamwe vana rugotwe rwangu
urwu"

Ndakabva ndanyepera kumuka.


"Oooh sorry sorry mai Mushavi
nekukuitira noise" baba vakadaro

"Aewa ndanga ndatomuka baba"


ndakadaro ndichivhura door
Ndoshamisika kuti sei mhamha
vasingandidi ndakasvika muroom
mangu ndikawana Anengoni akagara
pamubhedha

"And then iwe Ngoni?"


Akabva aseka. "Kubva wandisungira
huso kudaro vakuitei kwauri kubva?"
Ngoni akabvunza achiseka

"Handiti ndimai vako ivava unoziva


ndinombozvibvunza kuti mhamha nei
vasingandidi"
"Vaitei?"

Ndakabva ndamuudza nyaya yose

"Unovaziva kuti mai vako vakaita sei


asi pane zvinhu zviri kukunetsa iwe?"
Mukoma wangu ndiye chete munhu
wandingakwanisa kuudza nyaya iyi.
Handikwanisi kumuvanzira chero
kuchinzi zvinonyadzisa sei nekuti
naiyevo anondiudza nyaya dzake.

"Ndimambo Munyaradzi ati anoda


kundipa moyo wake ini ndimupe
moyo wangu"

Pandakadaro Ngoni akapera


nekuseka.

"Uri kusekei manje?"


"Unoreva Munyaradzi Zvayi?"

"Ehe ndiye wandiri kureva"


"Weee anga achitamba newe
harahwa yose iya mukoma wako uya
anoenzana naKurai anga
achingotamba newe iwe ukazvitora
serious"

"Anga asingatambi Ngoni anga


achitaura chokwadi"
"Anenge achipenga kaa"

"Handidi ini Ngoni kuroorwa


naMunyaradzi ndinofanirwa kupedza
chikoro"
"Usazviisa mumoyo newewo Nyasha
unoziva kuti baba havanga zvibvumi"

Ndakabva ndanyemwerera. "Yaaa


ndinozviziva"

"Good my twin sister" Ngoni akadaro


"Okay uri kudei iwe pano ndinoziva
kuti unoda something?"

"Yaa wandibata, ndiMitchell ari


around"
"Mitchell mukadzi wangu?"

"Ehe asi haana kukuudza?"


"Oooh ndaiona video call yake asi
handina kuidaira ndanga ndiri busy
handiti unoziva kana ndiri kumusha
handina nguva yefoni zvino
ndazokanganwa kumufonera back"

"Okay kune event yake kuno yaanga


avinga pari zvino ari kuhotel saka
ndinoda andishanyire"
Ndakabva ndaseka. "Saka nei usinga
endi kuhotel?"

"Handidi kuenda kuhotel ini nekuti


ndine kumba kwedu ndosaka
ndichida rubatsiro rwako"
"Ayy rubatsiro rwei manje?"

"Ndoda utaure nababa unyebe kuti


Mitchell ishamwari yako yekuHarare
uchaona newevo kuti uchadhingura
sei pfungwa sei"
Ndakabva ndaseka. "Handiti unoziva
kuti ndinotengwa nei?"

"Haaa iwe ndichakuvigira burger yako


maan"

"Good ndichataura nababa"


"That's why I love you" Ngoni akadaro
achibva abuda

Ndakatora foni ndichibva ndapinda


pafacebook asi stranger yangu yaiva
isina zvayataura
"Hello stranger" ndakamumhoresa
akaita sekunge anga akagara
akamirira ini

"Woow ndageza kupi nhasi


ndichimhoroswa newe beautiful"
Charmer akadaro
"Ndine hunhu kaini"

"I like that"


"I know kuti uri stranger asi ndinoda
advice yako"

Akabva asenda zvima imoji


zvekuseka
"For free uchaiwana advice yangu"

"Thanks. Manje pane munhu ati


kwandiri anoda kutora moyo wangu
ini ndotora wake"

Akabva aisa maimoji ekuseka


"Wooow Moyo uyo unofanirwa kuupa
Lucky Charmer chete kwete umwe
munhu"

"Nxaaa hauna zvaunondibatsira


nazvo iwe ndakubuda pafacebook"
ndakadaro ndichitobva pafacebook
Hameno neniwo ndanga ndichivimbei
kubvunza munhu wandisingazivi
advice

*NARRATED*
Munyaradzi akasvika kumba kwavo
achingonyemwerera apo akabva
asangana naTichaona

"Heee Zvayi chii chiri kuitika pauri?


kubva wanyemwerera kudaro?"
Tichaona akabvunza
"Eish nyarara hako I think ndawana
munhu anodiwa nemoyo wangu"

Tichaona akabva aridza muridzo


achindikwazisa
"Aaaaa kana zvakadaro inyaya
dzinofadza kaidzi"

"Ndinofanirwa kutaura nababa"


"Rega ndingoti makorokoto Zvayi"
Tichaona akadaro achienda

Munyaradzi akaenda kumuzinda


akadana Fatso kuti amukumbirire
vanhu vakuru vasvike vose. Pasina
nguva vanhu vaiva vatoungangana

"Zvayi hanzi uri kuti dana?" Mambo


vakabvunza vakatarisa Munyaradzi

"Mambo wangu"

"Mwanangu nyaya dzawauya nadzo


dzinofadza ndinoona nehuso hwako"
Jinda guru rakadaro
"Ndinofunga kuti inyaya dzinofadza
zvakanyanya kudarika nyaya dzose
dzamunombonzwa" Munyaradzi
akadaro achinyemwerera

"Takateerera" Mambo vakadaro


"Ndamuwana mukadzi wangu"

Vanhu vose vakavhunduka vamwe


vakafara
"How Zvayi uri kuti kudii manje?"
Mambo vakabvunza
vachinyemwerera

"Zveshuwa Zvayi ndamuona


ndikataura naye asi ane kakunyara
kaainako Zvayi ndiye mukadzi wangu
uya ndiye mambokadzi" Munyaradzi
akadaro
"Ewuu inyaya dzinonakidza kaidzi"
mai Munyaradzi vakadaro

"Mwanangu ndinofara newe


ndewekupi mwana wacho?" Mai
Ethan vakabvunza vakamonya
muromo
"Ndewe muno mudunhu asi pari zvino
handinga kuudzii zita rake nemutupo
wake muchaona ndava kumushara
pamazuva maviri ari kutevera
pachaitwa mabiko ndipo pandino
mushara" Munyaradzi akadaro

"Ewuu tatomirira nemaziso


matsvuku" mambo vakadaro

----------------

Zvinhu zvose zvakataurwa


naMunyaradzi hazvina kusvika
zvakanaka kuna mai Ethan sezvo
vaida kuti mwana wavo Ethan ave iye
anotora humambo. Madzimai
amambo akabuda achienda
mudzimba dzavo mai Ethan naivowo
vakaenda muroom mavo vakasvika
vachitora foni yavo vachifona

"Hey kwauya zve dzimwe nyaya kuno"


mai Ethan vakadaro
"Taura tinzwe nyaya dzacho"

"Munyaradzi atiudza kuti ava murudo


pane musikana waaona"

"What,? ndiani musikana iyeye hanzi


ndewekwani?"
"Haana kutaura asi izvi ndizvo
zvaataura kuti awana musikana
waada"

"Saka zvinoreva kuti mwana wako


haachaiti mambo ka?"
"Mwana wangu achachiwana chigaro
uri kundinzwa vachida vasingadi
ndiye achaita Mambo" mai Ethan
vakadaro vachikata foni

*Anenyasha*
Ngoni anofarira kundishandisa maan.
But i dont have choice burger ndoida
maan. Ndakatarisa baba vaiva
vakagara pasi pemuti ndichibva
ndadira mvura mu dish
ndavaendesera

"Baba ndakuvigirai mvura" ndakadaro


ndichigara pedo navo"
"Ndinotenda mai mushavi"

"Baba ndokumbiravo favour yenyu"

"Ndakateerera"
"Pane shamwari yangu yeku harare
now ari mu town anga auya ku
modeling saka handidi kuti arare
muhotera achitambisa mari ini
ndiripo ndichikwanisa kumubatsira.
Ndokumbiravo zve kana zvichibvira
auye kuzorara pano ozoenda apedza
zvaari kuita"

"Ndizvo zvinodiwa izvi mwanangu


kubatsirana naiyevo mangwana
achakubatsira ngaauye hake"
"Thank you so much daddy"

"Nditume munhu anomutora here?"

"Aewa Ngoni ati achapinda mu town


saka achauya naye"
"Ohk mwanangu"

Ndakatarisa pagedhi ndikaona sisi


sarah vachipinda nema
ndakavamhanyira ndichivahaga
vachiuya vachigara pana baba,
vakamhorosana vakabvunzana
hupenyu. Ini ndakazovasiya ndoenda
kuna Ngoni ndichino demander
burger yangu nekuti baba vaiva
vabvuma. Ngoni akafara achindihaga.

manheru akaenda kunotora mitchell


neniwo pandakamuona ndakafara as
my friend

*Narrated*
Sarah aiva akagara mu room make
mai Sarah vakabva vapinda

"Nhasi watifungawo mwanangu"

"Haa mhamha hanti nemwivo mogara


nemurume wenyu here" Sara akadaro
vachiseka
"Muri sei henyu mhamha?"

"Handisi right ini sarah. Hanti ndibaba


vako nehure ravo iri Anenyasha.
Ndiye ava kuteererwa pamusha pano.
Zvinhu zvose zvaanotaura zvinoitwa.
Hona aunza shamwari yake kuti
vazoita chihure pano baba vacho
babvumira pamsoro argg maan"
"Haa mhamha Ane rugotwe
havateereri iye asi vanomuda chete"

"Hayi hakuna zvakadaro. Unoziva


nezuro ndafonerwa na mama Ethan
vachindiudza kuti mambo mudiki
awana mukadzi wekuroora"
"Saka problem iri papi manje?"

"Tine plan pano"

"Plan yeyi mhamha?"

"Kwa mambo vanhu vane zvinhu


zvavo kana uri hama yeikoko
mudunhu unenge une chiremera uye
unenge uchiremekedzwa. Saka
ndanga ndichida kuto zai ra mushavi
Anenyasha aroorwe na mambo ndiko
kuti agosiya chikoro chandisingazivi
kuti ndecheyi"

"Haa mhamha Anenyasha mudikisa


kuna Munyaradzi. Munyaradzi
muhombe chero kwandiri"
"Hazvina basa izvo as long pfungwa
dzakura"

"But Ane achiri mudiki chero zviito


zvake ndezvehumwana haangaiti
mambokadzi mhamha"

"Hauzivi chinhu iwe"


"Saka Mambo zvaawana mukadzi
muchaita sei"

"Hapana zvandingaita ndanonoka


hanti"

."ayy mhamha futi nemwivo ayy siyai


nyaya dzevanhu" Sarah akadaro mai
Sarah vakaridza tsamwa vachibuda

-------------------

Kwa Mambo ibata wabata sezvo


vachigadzirira sezvo mangwana
Munyaradzi achidoma musikana
waanoda kuroora.
"Yok mangwana atondinonokera
ndione kuti ndiani musikana asharwa
na Mambo" mai Munyaradzi
vakadaro

"Neniwo asi ndinotya maiguru"


Mamoyo akadaro
"Kutyei manje?"

"Maiguru vana vevanhu vanopera


pano. Wese mukadzi anoda kuroorwa
na Prince anofa pamwe Mama Ethan
vaitaura chokwadi pamwe problem iri
pana Munyaradzi madii machinja
Mambo. Vana vevanhu vachapera
vachipedzwa na Munyaradzi"
"Hayi Mamoyo usataura uchidaro
mwana wangu haana problem
hamenho chii chaiitika paya but now
ndiri kunzwa muropa kuti uyu ndiye
wake chaiye uye hapana zvichaitika"

"Hamenho maiguru tichaona nazvo


mangwana" Mamoyo akadaro asi
mumoyo make aionekwa kuti aiva
nekakutya
*Anenyasha*

Hope hadzibati nhasi ndamboedza


kutamba kwacho sezvo mangwana
tichinotamba kwa Mambo ayy
handizvigoni ini. Vamwe vasikana
vamboedza kundidzidzisa heyy
chiuno chanditi unonyeba iwe . nhasi
tanorara kwa mbuya matohwe
tichidzidziswa kutamba..

handizivi nei ndichirohwa nehana


kudai but pachokwadi im scared kuti
ndikutyei neniwo handizivi. Talenr
akaswedera pandiri

"Why uri down?" Talent akabvunza


"Tale ini zvekutamba handizvigoni Ini
ayy"

"Uchadzidza chomie beside hazvisi


zve everyday ka zvine mazuva. Hande
tinotamba uko" Talent akadaro
achindibata ruoko achondidhonza
tichienda kwaiva nevamwe vasikana.
Takasvika tichitamba ini ndaingoita
zvandogona ayy ini kuva pano
handitodi shame. Pfungwa dzangu
dziri kune chipoko lucky Charmer
hamenho why but i feel like ane
nzvimbo mumoyo mangu.

makuseni takamuka tichipfekedzwa


mbatya tichibva taenda. Takawana
vanhu vatozara isu takapinda pa
stage tichitanga kutamba. After
some ndakaona Munyaradzi
achisimuka maziso ake akati njoo
kwandiri. Mdakarohwa nehana
zvekuti ndakasara padiki kubuda pa
stage nditandanise mhepo
madzimai akaridza mhururu
pakasimudza Munyaradzi. Ndakasara
padiki kuzviitira wiwi pandakaoma
achinanga straight kwandiri.
Vakandiitira ma sign ekuti
ndigwadame

hazviiti kuti ndisatevedzera mutemo


wacho saka ndofanirwa kugwadama.
Ndakagwadama misodzi yakuyerera.
Ko neiko mukomana uyu ashara ini
pavasikana vose vari pano? No ways
handisati ndada kuroorwa ini. Ndoda
kudzidza.

Munyaradzi akaburitsa mari achiisa


mberi kwangu achinyemwerera.
Ndakatarisa baba ndichida kuti vauye
kuzondibatsira kundibisa
mumatakanana andiri. Munyaradzi
akatanga kukanda mazakwatira
emari mumusoro mangu
achinyemwerera

ndakamutarisa nehasha ndichida


kumupa gwati rembama. Mhamha
kana vari saivo ndivo vaiva nezwi riri
pamsoro vachipururudza.

"Mambokadzi" Munyaradzi akadaro


achinogara pasi
kwakauya vamwe vasikana
vachindifukidza gumbezi vachindidira
nezvimwe zvinhu zvandisingazivi. No
ways ndakatadza kuzvibata ndichibva
ndarasira gumbezi kwakadaro
ndichimhanya ndakananga kumba
kwedu. Ndakasvika ndichizvivharira
mu room mangu ndichitanga
kuchema

*This book is for free only muchiisa


more than 50 reaction nema
comments asi kana musingaisi
hariuyi everyday rinopedzisira raenda
pa sale so comnents and reaction
guys*

end of chapter
https://chat.whatsapp.com/Bteuskxx
dSyClNRIHoy0wp

*Free book read, react, comment and


share*
*ANENYASHA*

*Written by:Makalulue*

*Chapter 3*
*Anenyasha*

Ndakasvika kumba ndifemereka.


Moyo wairwadza nezvaiva zvaitika.
Munzvimbo ino kana uchinge
washarwa na Mambo kuti uchaita
mukadzi wake and uchatoita mukadzi
wake uchida usingadi hakuna
kudzokera kumashure. Now i need
munhu achandiudza kuti ndiri kurota
hakuna zvinhu zviri kuitika.
Ndakatora foni yangu ndichipinda pa
facebook ndichinyorera lucky
charmer message

```hey stranger ``` ndakadaro


ndichiisa ma emoji ekuchema.

Akabva atopindura ipapom munhu


wacho anoita sekuti anogara
akamirira message yangu

```Ane uri kuchema?```

```ndava kuzoroorwa```
```what? Wait sorry nekubvunza
mubvunzo uyu, wanga une
mukomana here```

```aewa ndasharwa na mambo```

```mambo as a king```
```yes mambo wedunhu redu asi ini
handimudi handisati ndakuda
zvekuroorwa ini```

```demet saka family yako iyo yati


kudii````

```zvinhu zvichangoitika manje


handisati ndavaona hamenho kuto
vachati kudii but im sure vachava ku
side ramambo```

```usabvuma kuroorwa nemunhu


wausingadi```

```vachandiroodza zvenharo handidi


ini```
```aewa zve hupenyu hwako uhu
uvaudze kuti haudi hapana
anofanirwa kukuudzira zvekuita
nehupenyu hwako```

```handizivi ndiite sei ndokumbira


undibatsire```

```you trust me?```


Ndakanyarara handizivi kuti
ndomuvimba here munhu
wandisingazivi

```ini parizvino ndiri ku America ```


Ndakavhura maziso

```What```

```yah ndiri kudzidza but im from


Zimbabwe ```
```huh!!```

```Relax i know you very well na


mambo wauri kutaura nezvake
ndinomuziva```

```actually ndiwe ani iwe```


```lets forget about that ngatigadzire
nyaya yako```

```no ndoda kuziva kuti ndiwe ani?```

```unoda ndikubatsire or what ```


What the fuck? Nei asingandiudzi kuti
ndiani. Zvichakadaro ndakanzwa pa
door pane munhu aigogodza

"Vhura door iri iwe Anenyasha" vaiva


mhamha ndakavhunduka ndichiisa
foni pasi

"Anenyasha ndinoziva kuti urimo


mumba vhura door iri"

Ndskasimuka ndichinovhura. Ndisati


ndatombodii ndakanzwa negwati
rembama rakandionesa nyeredzi
masiksti masikati machena.

"Chii chawaita kwa mambo iwe


Anenyasha?!!"
Mhamha vaipupuma nehasha
ndakabata dama rangu ndichivatarisa
handina kumbovapindura

"Nei watinyadzisa pavanhu iwe


mwana wa Chenge. Taura maan!!!!"

"Sorry mhamha"
"Unoziva here zita rekuti Mambo
rinoreverei? Rawanyadzisa mberi
kwevanhu. Unozviona sekunge uri
chii iwe? Unofunga uri nani here
kudarika vamwe vasikana!!?"

"Aewa mhamha"
"Unoziva zvinhu zvawaitw vanhu
havashori iwe asi vanoshora ini na
baba vako kuti hatina kukudzidzisa
respect"

"Ane newevo chiiko newe?" Sarah


akadaro achipinda

"Handimudi ini Munyaradzi"


"Uri kudei manje?".

" ndoda kudzidza ini"

"Kudzidza kwematuz***i kubva nhasi


uzive kuti watova mukadzi wemunhu
kwete zvako zvekupenga zvauri
kutaura"

"Ko nei muchindimanikidza kurarama


hupenyu hwandisingadi. Beside that
Munyaradzi iharahwa iya"

"Mhamha i think Ane ari kutaura


chokwadi mwana mudiki uyu
pamutoro wamunoda
kumusengedza" Sarah akadaro

"Pane amboti isa muono wako?"

"Aewa " Sarah akadaro

"Saka chinyarara"
Ndakatora foni yangu ndichida
kufonera baba asi mhamha
vakairovera pamadziro ichibva yaita
ma pieces

"Mhamha!!" Ndakadaro misodzi


yajenga kumeso.
"Mhamha muri kuitei?" Sarah
akabvunza

"Mhamha foni iyi ine zvinhu


zvekuchikoro"

"Hakuna chikoro chauchaenda kubva


nhasi unofanirwa kuzvigamuchira
kuti watova mukadzi wemunhu.
Pukuta misodzi tidzokere kwa
mambo unopedzisa zvawatiza"

"Handimudi ini Munyaradzi!!! Handifi


ndakaroorwa naye ini!!" Ndakadaro
nezwi rava pamsoro. Mhamha
vakasimudza ruoko vachida
kundirova

"Mai sarah!!!!"
Tose takatendeuka tichitarisa
kwaibva izwi. Vaiva baba vaiva
vakamira pa door. Ndakamhanya
kwavari ndichinovahaga

"Baba!!"

Baba vakandigumbatira kwenguva


yakareba

"Mushavi hapana zvamunokwanisa


kuita panyaya iyi" mhamha vakadaro

"Ndokumbira kutaura nemwana


wangu ega"
"Asi mushav--"

"Ndati nemwana wangu ega"

.vakabva vabuda baba vakapinda


vachivhara door vachiuya vachigara
pasi
"Baba ndokumbira musabvuma kuti
ndiroorwe na Munyaradzi handimudi
ini ndoda kudzidza" ndakadaro
misodzi ichiyerera. Baba
vakambonyarara kwenguva
zvemunhu ari kufunga

"Please baba ndokumbira


musabvuma ndichiri mudiko ini for
kuroorwa"
"Mutemo wedunhu rino unouziva
hanti"

"Baba ndiri mwana wenyu ndimwi


mega mune kodzero yekutora
decision pandiri ndokumbira
musabvuma please. Baba
musandiudza kuti nemwiwo makuda
kuti ndiroorwe?"
"Aewa ndoda kuti udzidze urarame
hupenyu hwaunoda"

"Ndokumbira musabvuma baba


please Mhukahuru"

"Ndichaedza kutaura na Mambo asi


handina zvandinokuvimbisa. yes uri
mwana wangu asi apa ndiri helpless"
"Sei baba? Sei? Ndkuti ndimwi mune
powers pandiri saks munorevei Kana
muchidaro? Saka baba munotodawo
kuti ndiroorwe"

"Aewa"
"Saka chii baba?"

"Hanti unouziva mutemo wepano


ukarega kutevedzera mitemo yacho
unodzingwa mudunhu"

"Zvagara ndichaenda kunogara kwa


sekuru mukoma wa mhamha"
"Dza baba haudzingwi wega asi
musha wese"

"Tichaenda tose baba


handingaroorwi nemunhu
wandisingadi ini"

"Haunganzwisisi mwanangu hazvisi


nyore kubva panzvimbo
yawakazvarirwa ukakurira ndozobva
ndachembera kudai. Zvinorema
kwandiri"

"Saka muchandiregedza
ndichoroodzwa na mambo?"

Baba vakabva vanyarara


"Manditi ndichiro mudiki asi manje
munobvuma kuti mwana wenyu
anoroodzwa nemunhu waasingadi.
Munobvuma kuti mwana wenyu
ararame hupenyu hwaasingadi
kwehupenyu hwake hwese achigara
neharahwa yemunhu"

"Mwanangu sezvo mambo akushara


kudai anokuvimba kuti ucham--"
"Baba ndokumbira kuva ndega"

"My princess"

"Baba hamundibatsiri nechinhu. Zviri


pachena kuti munozvibvumira. I wish
kuti dai mai vangu vachiri vapenyu i
know kuti havaibvuma
ndichishungurudzwa kudai. Imwi
hamuna basa neni. Hamuna basa
neni baba!!!"

"Princess usataura uchidaro unoziva


kuti hachisi chokwadi "

ndakazvikandira pamubhedha
ndichizvivhara negumbezi
*Narrated*

Vanhu vakasara vachin'un'una


nekuenda kwaiva kwaita Anenyasha.
Mambo akazoudza vanhu kuti
vaende kudzimba dzavo. Mambo
vaipupuma nehasha.
"Ndiri kuda Zhou pano!!!" Mambo
vakadaro . machinda a mambo
akabuda achinodana vazhou

"Zvayi musavadana vaZhou


ndichataura naye Anenyasha"
Munyaradzi akadaro

"Mutemo unouziva hanti?"


"Ehe Zvayi"

"Good"

"Baba mwana ari kutaura chokwadi


nyaya iyi ngaisaita hombe
mamuonawo nemwiwo mwana kuti
achiri mudiki pfungwa dzichiri diki"
mai Munyaradzi vakadaro
"Ndobvumirana na maiguru baba.
Mwana avhunduka chete achava
right. Anga asingatarisiri kuti ndizvo
zvichaitika." Mamoyo vakadaro

"Hanti vanhu vanofanirwa kudzidziza


vana mutemo wemudunhu.
Unokaona kamwana kaya
kanodherera chete haangaiti
mambokadzi uya plus hakangabvumi
kaya siyayi kumanikidza zvinhu
mhani imwi" mama Ethan vakadaro

"Mainini please " Munyaradzi akadaro

"Ndokumbira kuva ndega" Mambo


vakadaro
vanhu vose vakabuda
Mambo vaipupuma nehasha
havasati vambodhererwa zvakadaro

--------------------------

Minutes later Vazhou vakasvika


vakaendeswa kumuzinda vakagara
pachituro chavaiva vapihwa
"Zhou chii chaitika nhasi"

"Ruregerero Mambo wangu ndanga


ndisingazivi neniwo kuti
ndozvichaitika"
"Ko wakadii kumudzidzisa mwana
wako mutemo wechivanhu.
Zvaanodherera kudai mwana wako"

."ruregerero. Mambo wangu. Mwana


wangu ane respect chete achiri
mudiki uye anga asingafungidi kuti
pangaitika zvinhu zvakadaro. Mwana
wangu achiri kuchikoro haasati ava
ready pazvinhu zvose izvi "
"Ini vakadzi vangu ndakavaroora vane
makore mangani"

"Hazvifanani mambo wangu


Paya vanhu vairarama hupengu
hwechinyakare manje vana vamanje
vari kurarama hupenyu hwechimanje
manje"

"Hanti ndimwi munovabvumira kuti


vararame hupenyu hwechimanje
manje. Mushavi uri murume
anozivikanwa mudunhu rino kuti une
hunhu. Ndanga ndatofara kuti mwana
wangu ashara chaipo pandino
ndichifunga kuti vana vako
wakavadzidzisa zvakanaka"

"Anenyasha achiri mudiki for


kuroorwa uye achiri kuda kupedza
zvidzidzo zvake"
"Zvidzidzo zvei izvozvo. Kune chikoro
chekuremekedza here? Kune chikoro
chekubika here. . hanti unoziva kuti
musikana anofanirwa kumutsa
musha kwete zvauri kundiuza"

"Uchandiregerera Mambo wangu


handingakwanisi kuroodza mwana
wangu achiri mudiki haasati ava
ready pa kuroorwa"
"Haa!!! Ndofunga uchiri kurangarira
kuti chii chakaitika gore riya? Unoda
here kuti zvipamhe?"

Zhou vakavhura maziso


vachivhunduka.

"Mutemo unouziva handisi


kukumanikidza enda kumba kwako
unogadzirira nekuti kuswera
mangwana tiri kuuya kuzo roora"

"Mambo wangu" Zhou vakadaro


vachibuda vachienda

**********
Vazhou vakabuda havana kuenda
kumba vakafamba vachienda
kwavasingazivi zuva rakasvika
pakuvira vasina kusvika kumba.
Vaida kufurwa nemhepo. Asi hapana
mhepo inovafura nekuti nhamo
dzavo dzakavamirira. Misodzi
yakayerera pavakafunga zvinhu
zvavaiva vafungidzwa na Mambo
ukuvo mwana wavo vanoda kuti
awane runyararo
-------------------

Anenyasha aiva akarara pamubhedha


akatarisa pic ya mai vake.

*mhamha nei makakurumidza


kundisiya panyika? Nei musina
kuenda neni.. Dai muri pano
ndinoziva kuti hamaibvuma
ndichiroodzwa nemunhu
wandisingadi ndimwi chete muno
understand ma feelings angu"

"Neni ndinoa understand"

Anenyasha akatarisa ku door akaona


Anengoni. Akamumhanyira
achimuhaga
"Ngoni handizvidi zvose izvi ini.
Handidi kuroirwa"

"Neniwo handidi uye handifi


ndakazvibvumira"

"Baba vanoda kuti ndiroorwe"


"Rongedza zvinhu zvako zvese tiri
kuenda"

"Tiri kuenda kupi Ngoni"

"Im not sure but we going"


" asi baba vach--

"Nyasha usaita hanya nevanhu vasina


hanya newe trust me i will take care
of you"

Anenyasha akarongedza mbatya


dzake nekukurumidza. Ngoni
aimubatsira pa side
"Foni yangu iri kuna mhamha"

"Relax tichaiwana iwe imwe mberi"


Ngoni akadaro achitora foni yake
achifona
"Mitchy wasvika?"

"Yes ndiri ku centre manje"

"Okay nesuwo takubuda manje"


Ngoni akadaro
*Anenyasha*

Tapedza kurongedza ndakatarisa


Ngoni

"Tichabuda sei?"
"Tichabuda nepa window" Ngoni
akadaro achindisimudza ndichibuda
achindipa bag naiyevo achibva abuda

pandakasimudza musoro
ndakavhunduka ndichiona munhu
aiva akamira kumashure kwedu.
Ngoni akandibata ruoko.

"Munofunga kuti muri kuenda kupi?"


Mhamha vakabvunza

"Ibvai mberi kwedu toda kuenda"


Ngoni akadaro. Zvichakadaro Sarah
akabudikira

"Hezvo chii chiri kuitika pano?" Sarah


akadaro
"Ibvai mhani imwi mberi kwedu
tiende" Ngoni. Akadaro

"Mukabva pano muchanogara kupi?"


Mhamha vakadaro

"Last time i checked mai vedu


vanotizvarwa vane musha" Ngoni
akadaro
"Dzokerai mumba manje"mhanha
vakadaro.

" hande Ngoni" ndakadaro tichida


kuenda.
Tisati tambodii mota yababa
yakasvika. Pavakationa vakabuda
mumota vachimhanya vachiuya
kwatiri

"Hezvo Ngoni!! Nyasha!! Muri kuenda


kupi?"

"Tiri kuenda kumusha kwamhamha.


Handingabvumi kuti Nyasha aroorwe
nemunhu waasingasi achifadza imwi.
. ko nei musingaroodzi Paida? Nekuti
iye mai vake vapenyu vachamumirira"

"Ngoni unotaura sei uchidaro?" Baba


vakabvunza

"Mushavi uri kuzvionera wega kuti


vana vako vanondidherera. Paida
anogoroodzwa sei ko mambo ashara
paida here or ashara Nyasha"
mhamha vakadaro

"Hande ngoni" Ndakadaro

"Hakuna kwamuri kuenda pindai


mumba titaure nezvenyaya iyi"
"Ini handipindi mumba as long
Nyasha achizoroorwa na Munyaradzi"

"Ndati pindai mumba titaure


nezvenyaya iyi"

"Ngatipinde nyasha asi vakaramba


vachitaura nyaya iyi tichaenda" Ngoni
akadaro tichipinda mumba tichigara
pasi

*saka baba mucharega kutevedzera


mitemo yedunhu nekuda kwevana
ava" Sarah akabvunza

"Please pfungwa dzangu


dzakadhanganyika ndokumbira
musawedzera zvandiri kunzwa manje
" Sarah ari kutaura chokwadi Mushavi
hanti munoziva kuti chii chichaitika
kana muchato uyu ukasaitwa?"
Mhamha vakadaro. Baba
vakanditarisa

"Chirega kuchema dzababa" baba


vakadaro vachindipukuta misodzi
"Muchato uyu hauitwi handiubvumi
ini"

."what? " mhamha vakadaro

"Shuwa here baba" ndakabvunza


ndichinyenwerera
"Ndinokuvimbisa mwanangu chienda
mu room mako unoverenga"

"Fonj yangu yafa baba"

"Waiuraya sei?"
"Mhamha vairoverra pamadziro"

"Haa!!! Ichokwadi here ichi mai


Sarah?"

"Foni ndiyo inomuita kuti asateerera"


mhamha vakadaro
"Dzababa chienda mukamuri mako
usapamhazve kuda kundisiya
nhaika?"

Ndakabvuma ndichibva ndasimuka


na Ngoni tichienda mu room mangu

"Thank you brother"


"Hey usanditenda ibasa rangu iri"

"I love you brother

" i love you more " ngoni akadaro


tichihagana
*NARRATED*

Zhou aiva mumba nemukadzi wake


vachitukana nenyaya yefoni ya
Anenyasha
"Nei wauraya foni yemwana "

"Ruregerero mushavi asi foni ndiyo


inom--"

"Mwana anodzidza foni ndiyo


yaanonyanya kushandisa pazvidzidzo
zvake"
"Haachaendi kuchikoro uyo hanti
akunoroorwa kwa Mambo"

"Wangu mwana achiri mudiki


haaroorwi"

"Baba hanti munoziva kuti chii


chichaitika kana akasaroorwa
nyasha"
"Ndichazvigadzirisa"

"Hazvigadzirisiki izvi kunze kwekuti


anoroorwa baba"

"Ndati ndichaigadzirisa now ndakuda


kurara" zhou vakadaro vachifuratira
vachirara
Mai Sarah vaiva vongobwaira
vasingazivi kuti vaite

makuseni Zhou vakamukira kwa


mambo vakapinzwa mumba

"Ndinovimba kuti wandivigira


mhinduro chaiyo" Mambo vakadaro
"Ehoyi mambo wangu"

"Saka togadzirira kunoroora mwana


wako"

"Aewa"
Mambo vakavhura maziso

"Hanti unoziva kuti chii chichaitika


kana waramba kuroodza mwana
wako"

"Ndokumbira kuti mhuri yangu


musaidzinga"
"Ndakateerera"

"Better mundiuraye henyu mosiyana


nemhuri yangu"

"Saka unoona zviri nani kuti uurawe


pane kuti uroodze mwana wako"
"Pamhuri yangu ndoita Chero chii""

"Ohk ndiwe wazvisharira hanti


unoziva kuti zvichaitika rinhi?"

"Mangwana"
"Yah unouziva mutemo enda hako"

Zhou vakasimuka vachienda. Chinhu


chavaiva vakuda kuti vave ne mhuri
yavo kekupedzisira
*Anenyasha*

Ndakamuka makuseni ndichigadzirira


baba breakfast. Ndapedza
ndakaenda mu room mavo asi
ndakawana vasipo.

"Mhamha mamuka sei?"


Mhamha havana kupindura

"Baba vari kupi?"

"Handizivi"
Ndakabva ndabuda nechikafu ndiri pa
door ndakasanga na baba

"Hee wabikira ini chikafu" baba


vakadaro vachinyemwerera

"Ehe baba" ndakadaro tichinogara


pasi vachidya.
ndakavatarisa baba vaiva vasiri right.
Nyaya yangu iyi iri kuvakudza
zvakanyanya . asi hapana
zvandinokwanisa kuita. Munyaradzi
handimudi ini

"Baba im sorry nezvandaita i know


kuti ndini honzeri yekuti muite stress"
"Heyy usatya nana baba havana
stress"

"I wish dai mambo vasina kundishara


dai tisipo apa"

"Usatya gotwe wangu ndiri kubva kwa


Mambo ndataura naye zvinhu zviri
mugwara ndagadzirisa zvinhu zvose"
"Shuwa here baba" ndakabvunza
ndichinyemwerera

baba vakabvuma vachinyemwerera


asi ndaiona kuti vaiva vasiri right.

"Dzababa"
"Baba"

"Ndokumbira kuti ukure zvakanaka


mwanangu zvinhu zvandaita ndaitira
iwe uremekedze vanhy vakuru"
"Haa baba hapana wandinodherera
ini inga wani ndine respect"

"Ndinoziva mwanangu ndiri


kungotaurawo hangu"

"Musatya baba handifi ndakaku


dhisapointayi"
"Baba vakanyemwerera tichibva
taenda kwaiva nevamwe.

" nhasi ndoda kuswera nemhuri


yangu zuva rose" baba vakadaro
"Haa baba kwakanaka here?"

"Imhosva here kana ndichida


kuswera nemhuri yangu""

"Ini hangu handioni zviri wrong


zvataurwa na baba" Paida akadaro
"Aewa hatina kuti zviri wrong asi
baba havasati vambotaura kudai"
mhamha vakadaro

"Baba mkoma kurai vanouya rinhi


kubasa kwavo" Sarah akabvunza

"Uh ndofunga svondo rinouya" baba


vakadaro
takazotaura nyaya dzakasiyana. Uhm
i miss kupinda pa facebook
Ndakabva ndaenda mu room mangu
ndichivhura laptop yangu sezvo foni
yaurawa na mhamha. I knew it kuti
stranger asenda message

takatanga ku chat(a) ndichimuudza


kuti baba vaiva vataura na mambo
handicharoorwi. Haana kuzvinzwisisa
akamboda kubvubza tumibvunzo
tusinganzwisisiki hanzi hee mambo
wandinoziva ongobvuma just like that.
Ndakamuti zvava zvako izvo
ndichibva ndavhara laptop yangu

--------------
ndakamuka makusen mhamha
vachimbeya mu kitchen vakabata
musoeo.

"Mhamha chii?" Ndakabvunza

"Baba vako havana kukuudza kuti


vachaenda kupi?"
"Aewa nei musingavafoneri?"

"Unofunga kuti handina kuzviita here"

"Vanouya baba nei muri worried


kudai?"
"Baba vako havana kumbobvira
vakaenda vasingatauri. Uye foni yavo
vaisiya ndizvo zvinoita kuti ndiite
worried"

"Ahh maybe van--

" iwe unofanirwa kuziva kwavari


nekuti ndiwe wakuteererwa pamusha
pano" Mhamha vakadaro.
Zvichakadaro ngoni akapinda

"Nei zvinhu zvinoitika pamusha pano


Nyasha achipihwa mhosva?" Ngoni
akadaro

mhamha vasati vapindura foni yavo


yakarira. Vakaidaira vachiisa
munzeve. Munhu wese aiva atarisa
kwavari

"Noooo!!!!!" Mhamha vakadaro foni


ichidonhera pasi vachichema

"Chii mhamha?" Sara akabvunza


"Mushavi!!!" Mhanga vakadaro
vachichema

"Vaitei baba? Baba vaitei?"


Ndakubvunza misodzi yajenga
hamenho misodzi yaiva yava yeyi.
Zvichakadaro ndakanzwa negwati
rembama ichibva kuna mhamha

"Wafara ka nekuti watorera vamwe


vana baba vavo" mhamha vakadaro
vachindipamha imwe mpama

"Mhamha munoevei?* Paida


akabvunza

" noooo!!! Not my fathet!!!"


Ndakadaro ndichichema asi handizivi
kuti chii chaitika
end of chapter

https://chat.whatsapp.com/Bteuskxx
dSyClNRIHoy0wp

*from chapter 1 pindai umu ȯǤȯ


Ǥ*
*Anenyasha*

*Written by Makalulue*

*Chapter 4*
*Anenyasha*

"Mhamha kwaitikei?" Ndakabvunza


misodzi yakajenga kumeso kwangu.
Apa mhamha vacho havatauri kuti
chii chaitika vari kungochema
"Sarah baba vako vauraiwa" mhamha
vakadaro vachiumburuka pasi
vachichema. Takavhunduka tose
tichitarisana

"Baba!!" Sarah akadaro

"Baba!! Vauraiwa nani Baba?" Ngoni


akabvunza
"Hatisi kunzwisisa isu mhamha chii
chaitika?" Paida akabvunza. Munhu
wese aiva akuchema

"Mhamha nei muchiti baba vauraiwa


neni? Vaurairwei? Ndivanani
vavauraya and nei muchiti ndini
ndakonzeresa kufa kwababa?"
Ndakabvunza

mhamha vakasimuka vachida


kundirova nembama asi Ngoni
akapinda pakati pedu achibva arohwa
iye

"Unoda kuziva hanti kuti Mhukahuru


vauraiwa nei?"
Ndakatadza chero kupindura misodzi
yaiyerera ndakabvuma nemusoro. Ini
ndaida kuona baba vangu chete.
Havangambondisiyi nenzira yakadaro

"Hanti waramba kunoroorwa kwa


Mambo?"
Mhamha pavakadaro ndakavhunduka

"Saka kufa kwababa kunopinda


papi?"
"Sezvo iwe waramba kuroorwa na
Mambo zvinoreva kuti waputsa
mutemo wemudunhu saka baba vako
ndivo vanga vachifanirwa kushara
kuti vodzingwa mudunhu rino here
vanozvipira nehupenyu hwavo"

"No no hazvii--" ndakatadza kutaura


ndakuchema ndichidzungudza
musoro i dont believe this
"Unoona zvawakonzeresa?" Sarah
akadaro

"Hamungamboshori Ane pazvinhu


zvose no no ko nei baba vashara
kuurauwa?" Ngoni akadaro
achichema
"Ndaiva ndisingazivi iwe mwana kuti
rimwe zuva uchauraisa baba vako.
Zvinhu zvakaitika kare zvakupamha
zve" mhamha vakadaro ndakatadza
kuziva kuti vaitaura nezvei

"Munorevei kana muchidaro?"


Ndakabvunza ndichipukuta misodzi
"Sekuru vakafa naivowo vaiva
nemwana wavo zai sewe"

"Mhamha hatisi kunzwisisa" Paida


akadaro
"Tete venyu vadiki vakaita zvinhu
zvaitwa na Anenyasha saka sekuru
vako vakanzi vashare kudzingwa
munzvimbo ino or kuuraiwa
vakashara kuuraiwa. Ndiko kwakava
kufa kwasekuru venyu. Nhasi
zvapama zve pana Mushavi nekuda
kwa Anenyasha"
Ndaiva ndakubvunda ndakatora foni
ya mhamha ndichifonera number
yaiva yapedzisira kufona . lucky
akadaira nekukurumidza

"Vari kupi baba vangu?" Ndakabvunza


ndichichema
"Ndiani auraya baba vangu?"

"Handizivi kuti vari kupi asi nguva


yacho yakuchaya"
"Hezvo ko havasati vaurayiwa?"

"Aewa havasati asi nguva yakuchaya"

Ndakakata foni ndichimhanya


ndichienda mu room ma baba
ndichitora ma key avo emota
ndichimhanya ndichinopinda mumota.
Ngoni paakamhanya achida kupinda
ndakaimutsa ndichiimhanyisa
ndakananga kwa Mambo.

pandakasvika kwa Mambo


ndakasvikirana nemota ya
Munyaradzi hameno kwaaibva.
Paakandiona akaburuka mumota
neniwo ndakaburuka ndichimhanya
ndichinogwadama mberi kwake
ndichibatanidza maoko
"Hey Anenyasha chii?" Prince
akabvunza

"Ndokumbira musavauraya baba


ndichaita chero chii chamunoda ohk
uchandiroora!!" Ndakadaro
ndichichema. Munyaradzi
akanditarisa achishamisika
"Handisi kunzwisisa ini"

"Hanzi baba vaenda kunouraiwa"

Munyaradza Akavhunduka achitarisa


nguva

"Shit!! Kurumidza pinda mumota"

Ndakapinda mumota ndichimhanya


handitombozivi kuti tiri kuenda kupi.
Munzira ndaichema Ndakatarisa
Munyaradzi. Naiyevo ainditarisa
nehuso hwaipisa tsitsi. Eish life
sometimes

"Ko hatisviki neiko?"

"Takusvika usatya" Munyaradzi


akadaro achivhetemesa mota.
Some minutes later takasvika.
Ndakapera simba pandakaona baba
vangu vakagwadama pasi
vakasungwa makumbo nemaoko
vakakomberedzwa nevarume vaiva
vakatakura type yezvombo zvose
zvaungafungira vachiimba rwiyo
rusinganzwisisike. No not my father
thank Godness havasati vauraiwa.
Ndakamhanya ndichienda kwavari.
Umwe murume paakati asimudze
bhemba achida kutema baba vangu
pakati pemusoro

"Babaaaaa!!!!"

Vanhu vose vakatendeuka


vachinditarisa
"Mukadzi ari kudei panzvimbo ino?"
Umwe murume akabvunza

ndakamhanya ndichinogwadama
mberi kwa Mambo

"Imhosva yangu yose. Baba vangu


havana zvavaita. Ndinokumbira
musauraya baba vangu.
Ndichauremekedza mutemo wenyu.
Ndicharoorwa namambo"

"Dza baba" baba vakadaro

"Ndinoziva kuti ndaputsa murairo


mambo wangu asi ndinozvishora
nezvandaita. Baba vakandidzidzisa
kuremekedza chivanhu chedu asi ini
ndaita zvinhu zvandisina kudzidziswa
please mambo wangu ndokumbira
musavauraya ndichaita yose mitemo
inofanirwa kuita"

"Ichokwadi Zvayi mambokadzi ari


kutaura chokwadi musapanisha
munhu asina mhosva please Zvayi
ndokumbira tigadzire nyaya iyi"
Munyaradzi akadaro
"Chimuregai" Mambo vakadaro.
Ndakafara zvakanyanya
ndichimhanya ndichinohaga baba
vangu

"Nazvino uchiri kuputsa murairo. Ndi


baba vako avo munhu waunofanirwa
kumbundira murume wako chete"
Mambo vakadaro ndakabva pana
baba nekukurumidza
"Ruregerero mambo wangu"

"Mushavi endai henyu" Mambo


vakadaro. Ndakatora hembe yababa
vangu ndichivapa. Kuvaona vakadai
zvakandirwadza zvakanyanya
"Ndichakuendesai" Munyaradzi
akadaro

Takapinda mumota Munyaradzi


achibva atiendesa. Takasvika
pagedhi rekumba. Pataiva takubuda
Munyaradzi akadhonza chikosoro
achititarisa
"Baba ndokumbira kutaura na
Anenyasha"

"Hanti unoziva kuti hausiriwo


mutemo?" Baba vakadaro vachiridza
tsamwa
No ndakutya baba vangu
vangazouraiwa zve
"Baba musandityira henyu hapana
zvichaitika"

Baba vakanditarisa vachibva vabuda


vachipinda mumba
"Im sorry Ane ndanga ndisingazivi
nezvenyaya iyi ini"

"Convince baba vako tisachata"


"Hazviitiki izvo dai hangu ndisina
kumbokushara from start"

Handina kumupindura ndakatarisa


pasi
"Ko nei usingadi kuti tichate? Asi
unotya zvinhu zvinoitika kana
ndichida kuroora mukadzi"

Ndakatarisa ndine ma reasons


akawanda anoita kuti ndisaroorwa na
Prince but ndicharoorwa hangu for
the sake of my father "
"I promise you hapana zvichaitika
pauri. Ndakushara nekuti ndinokuda
hapana andimanikidza kuti ndikude. I
know kuti zvinorema kwauri asi
ndokumbira uzame uchaona kuti
ndinokuda sei"

"Ndakufanirwa kuenda. Ugare


uchiziva kuti ndinobvuma kuroorwa
newe saka tichachata" ndakadaro
ndichibuda ndichipinda mumba.
Ndakawana vanhu vachihaga baba
"Baba!!" Ndakadaro ndichinovahaga.
Shuwa ndanga ndichakwanisa
kurarama here ndisina baba.
Ndakavahaga ndichichema

"Baba nei manga muchida kuita


zvinhu zvamaita?" Ndakabvunza
ndichichema
"Ndokumbira munorongedza zvinhu
zvenyu tiri kuenda manje" baba
vakadaro

"Tiri kuenda kupi manje?"


Ndakabvunza ndakatarisa baba

"Hatichagari pano tichanotsvaga


imwe nzvimbo yekugara" baba
vakadaro

"Baba makuda kusiya musha uyu?"


sarah akabvunza

"Ndichautengesa"baba vakadaro
"Nekuda kwa Anenyasha makuda
kusiya musha. Anenyasha ega here
baba? Makanganwa sekuru vakati
kudii nezvemusha uyu?" Sarah
akadaro

"Nei ndichifanirwa kurwadzisa


mwana wangu nekuda
kwechivanhu?" Baba vakadaro
"Saka muchaita zvinhu zvakarambiwa
nababa vako nekuda kwa
Anenyasha?" Mhamha

"Baba musanetseka neni ndichauita


mutemo wacho," ndakadaro ndichi
faker smile
"Aewa nd--"

"Chokwadi baba im fine i think about


it i will do it" ndakadaro
ndichitendeuka ndichienda mu room
mangu. Baba vangu ndavapa stress
zvakwans hapana zvandinokwanisa
kuita zviri pachena kuti i destiny
yangu iyi.
handidi kuti family iparadzane
nepakati nekuda kwangu. Now
ndakufanirwa kusiya zvidzidzo
zvangu asi kana Mwari vakati
ndichapedza chikoro ndichapedza.
Ndakatora foni yangu ndichipinda pa
facebook. Munhu wandakatanga
kutarisa ndi stranger ndakabva
ndamusendera message

```hello stranger ```


```hello my beautiful lady```

Ndakabva ndamuudza nyaya yose


akasenda ma emoji ekushamisika

```Saka wakutochata na Mambo ```


```i don't have any choice```

```please ndokumbira usachata```

```why? Nekuti family yangu iri


munjodzi. Ini newe hatizivani hatisati
tamboona saka nei uchiti ndisachata
nekuti neniwo ndakuda kuchata```
```hazviiti Anenyasha ungochata
nemunhu wausina kumbodanana
naye```

```tell me the reason```


```because i love you ``` ndakavhura
maziso Wtf

```you love me? You love me how


usingadi kundiratidza iwe? Ko nei
usingadi kuisa pic ysko?```

```izvo hazvirevi kuti handikudi```


```iko ndikati ndinokuda ndichati ndiri
kuda ani? Luck charmer? Okay ari
kupi lucky charmer wacho? Hauoni
here kuti uri kundiita benzi? Listen
nguva yekuti ini newe tirambe
tichitaura yapera. I will make things
easy for you i will block you ```

```dont do that please ```


Chipoko chinondipengera ichi
ndakabva ndatochi blocker Paida
akabva apinda achindihaga

"Im sorry nezvinhu zvaitika pauri"

"Zvatoitika sisi ndatozvigamuchira


kuti ndichava mukadzi wemunhu"
"But une bright future. Unofanirwa
kudzokera kuchikoro"

"Izvo hazvichaitiki. Ndicharoorwa


then tochata after that ndatova
muroora " ndakadaro misodzi
ichijenga kumeso
"Everything going to be fine my little
sisi"

"Hapana zve fine apa "

Zvichakadaro mhamha vakapinda


"Unofanirwa kugadzirira mangwana
uri kuroorwa" mhamha vakadaro

"Ehoyi" ndakadaro

"Ugorega kutiyemera hatina nguva


yemahumbwe isu"
"Haa mhamha" Paida akadaro

"Iwe handina here kukuudza kuti uno


cleaner ku kitchen?"
"Mandiudza" Paida akadaro

"Chienda mhamha vakadaro

Paida akabuda achienda. Mhamha


naivowo vakabuda vachienda.
Ndakatora pic yamhamha vangu
chaivo

*mhamha zvinhu zvose ndakuzviisa


mumaoko enyu. Ndatadza
kuzvigadzira. Baba vaedza asi
hazvaiita kuti ndiruze baba vangu.
Ndava kunoita mukadzi wemunhu
nemunhu wandisingadi wesi
muhombesa kwandiri. Mhamha
hazvisirizvo zvinhu zvandaida ini. Apa
mitemo yepamusha paya inenge
yakaoma im still young kunomirira
mitemo yavo. Haasiriye murume
wandaida kurarama naye
kwehupenyu hwangu hwese. Imwi
makaroorwa nababa nekuti maida asi
ini handimudi mukomana uya. But
anyway hapana zvandokwanisa kuita
ndokumbira kuti mundiratidze nzira
pazvinhu zvose izvi.garai muchiziva
kuti ndinokufungai siku nesikatu. I
love you mommy and i miss you*

Ndakaisa pic pasi ndichinomira pa


window ndichifunga zvinhu zvose
zviri kuitika pandiri.

*Narrated*

Kwa Mambo vakadzi va Mambo


vaikurukura.
"Hayi Munyaradzi anomuda mwana
uyu mufaro waanawo
hautsananguriki" mamoyo vakadaro

"Ari murudo shame mwana wangu


mufaro wake wakawedzerwa" mai
Munyaradzi vakadaro

"Asi musikana haana mufaro haazvidi


zvose izvi" Mhamha Ethan vakadaro
"Yah ichokwadi mainini asi achava
right nekuti Munyaradzi anomuda
achamupa rudo kusvika naiyevo ava
kumuda" mai Munyaradzi vakadaro

"Saka munoti kudii na Munyaradzi?


Vasikana vose vanosvika
vachiroorwa naye vanofa. Haazofi
here mwana wevanhu?" Mhamha
Ethan vakadaro

"Asi mhamha Ethan chiiko? Nguva


dzose unenge uchingofunga zvinhu
zvakashata. Isu tinofanirwa
kunamatira kuti zvisaitika nekuti
hatizivi honzeri yazvo" mamoyo
akadaro
"Ndofunga kuti vakudzoka kunoroora
vanofanirwa kuti vasvike tatopedza
kugadzirira zvemangwana sezvo
vachichata" mai Munyaradzi
vakadaro

"Yoowee muchato mangwana? Muri


kumhanyireiko. Asi mumoda kuti
mwana wevanhu afe achata" mama
Ethan vakadaro
-----------------------------

Kwa Zhou vari kugadzirira sezvo


mwanasikana wavo achichata
mangwana. Talent akasvika
achigogodza mu room ma
Anenyasha. Anenyasha akamuvhurira
vachihagana
"I dont believe kuti zvinhu zviri kuitika
izvi" Talent akadaro

"Neni shaar ndiri kunzwa kunge ndiri


kurota. Ko nei destiny yangu ichidai?"
"Chirega kuchema Nyasha Mwari
havangakupi mutoro wakadai vasina
ma reasons"

"Asi ini vandisengedza Talent nekuti


pakadai hapadi ma reasons. Mutoro
uyu wakanyanya kwandiri"
"You strong chommie you will do it"

"Handizivi, handizi ini. Husiku hope


dzichabata here ndakarara
nemurume"

"Eish nyaya inorwadza iyi"


"Unozvionawo ka"

"Haisi nguva yekuchema iyi chomie


Mwari ndivo vanoziva magumo acho"
*Anenyasha*

Yah life sometimes. Ndizvo


zvakuitika kwandiri guys. Ndiri kungo
faker smile kuti baba vasarwadziwa.
Yes vanoona kuti handisi right asi
handifanirwi kuti ndizviise pachena
kuti handisi right.
Ndiri kupfekedzwa zvuma
nezvimwevo zvakadaro since nhasi
tichifanirwa kuchata. Tapedza baba
vakauya kuzonditora ndakavahaga
ndichichema

"I will miss you daddy"

"Neniwo dza baba"


"Ndichagara ndichikushanyirai"

"Ndichakufonera mazuva ose


princess"
"Ndokuda mwanangu"

"Ndokudai zvakanyanya baba"

Takabva taenda kumota ikatiendesa


kunochatirwa . ndakavhunduka
zvakanyanya pandakaona munhu
wandichachata naye. Jesus nditize
here? No ndichatiza ndichienda kupi?

Muchato wakatanga pakaitwa zvinhu


zvose zvaifanirwa kuitwa. Kutsinzina
kwandakaita ndichiiswa ring. No
haasiriye munhu wandaida kuiswa
ring naye. Vanhu vakaridza mhururu
pandakaiswa ring. Neniwo
ndakamuisa ring . tapedza
ndakaoneka family yangu. Ngoni
akauya kwandiri
"I love you ohk" Ngoni akadaro

"I love you too brother" ndakadaro


ndichichema

"I will miss you" he says as he hug


me so tight
Vakanditora tichienda kumota.
Takasvika kwa Zvayi ndikaitiswa
zvinhu zvakawanda. Ndakaita
sendichazvirovera pasi. Ini ndoda
kuzorora ndakaneta shame.
Vakandipinza mune imwe imba

Pakapinda mamwe madzimai


akandiraira kuti ndiremekedze
murume blah blah. Ndakaudzwa kuti
ndofanirwa kumuka na 5 ndichibikira
family yose. Ohh my goodness. But
there is nothing yandokwanisa kuita .
ndakaendeswa mu room ma
Munyaradzi sezvo dzaiva dzava
nguva dzekurara ndakamuwana
atopfeka ma pyjama

"You're welcome at your new house"


Munyaradzi akadaro achinyemwerera
"Thank you"

"Enda hako unochinjira uko"


Munyaradzi akadaro

ndakaenda kunochinja kwaaiva


andiratidza. Ndakapfeka ma pyjama
angu ndichibva ndadzoka. Ndaiita
kubvunda chaiko rinhi
pandakamborara nemurume? Akabva
apinda mumagumbezi

"Hey huya urare"

Ndakakwira pabed ndichipinda


mumagumbezi. Ndakarara
nechekumadziro naye ndisingadi kuti
andigumhe
------------

"Handizivi kuti ndakabatwa nehope


when ndakamutswa nefoni yangu
yairira. Pandakatarisa nguva dzaiva
kuma 4 makuseni. Ndakadaira sezvo
vaiva mhamha
"Mhamha chiiko husiku huno?
Ndakarara ini?"

"Husiku? Nazvino wakarara?


Breakfast uchagadzira rinhi.? Ndidzo
nguva dzekumuka kwe muroora
muka tione"
"Aewa mhamha ndichamuka kuma
seven"

"Kuma seven? Muka muka manje


tione" mhamha vakadaro vachikata
foni

Apa handizivi kuti bathroom yacho iri


kupi. Ndotya nekumutsa Munyaradzi
ari kutoridza ngonono hake.
Ndakangonanga kwandaifungira kuti
ndiyo bathroom zveshuwa yaiva iyo.
Ndakatora zvinhu zvangu zvekugeza
ndichibva ndaenda kunogeza

Ndapedza ndakaenda ku kitchen.


Pandakapinda mu kitchen
ndakawana pane umwe mukomana
aiva akamira patafura. Airatidza kuti
aiva nezvihombe zvaaifunga.
Ainzwikwa nekukweva madzihwa kuti
ari kuchema.. Ko pane pamusha pano
pane umwe mukomana ari pasi pa
Ethan?

"Morning"

Akavhunduka achinditarisa
"Ohh ko ndiwe? Morning
Mambokadzi"

Wow zvatotanga ndatova


Mambokadzi. Akatwasanudza ruoko
rwake achindikwazisa

"Ndinonzi Tafadzwa Zvayi"


"Anenyasha dza baba Zhou"

Akabva aseka

Akabva amwa zvaaimwa


nekukurumidza. Ndakadongorera
ndichida kuona yaiva wine.
Ndakamutarisa mumaziso. Haasi
right munhu uyu anenge ane zvinhu
zvinomunetsa.
"Uri chidhakwa?"

Nemutemo uri pamusha pano


pangaita munhu anomwa here.
Akanditarisa achipukuta misodzi
"Ndokumbira kuti usaudza munhu
nezvawaona" Tafadzwa akadaro
achibuda achienda.

Ohh okay chii chiri kuitika pano? Ayy


rega ndisiyane nenyaya dzevanhu

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/Bteuskxx
dSyClNRIHoy0wp

*from chapter 1 pindai umu ȯǤȯ


Ǥ*

*Anenyasha*
*Written by Makalulue*

*Chapter 5*
.

*Anenyasha*
Yoo anenge ane pamuromo
mukomana uyu. Ndiani ko
mukomana uyu? Ohh pamwe ndiye
munin'ina wa Munyaradzi anodzidza
ku America anouya pa holiday ya
December chete. Ayy rega breakfast
ini ndisiyane nezvisingandidi

ndakatanga nekubika mazai uku


ndichozora chingwa. Mazai acho
handigoni kubika ari normal. Ndajaira
angu andozviitira kuchikoro.
Ndakaisa mvura pa stove uku
ndichigadzira chikafu. Ayy handigoni
kubika ini. Ndajaira kuzvibikira
chikafu changu ndega kuchikoro

pandakaisa rice pa stove vashandi


vakabva vapinda thanl God
vakuzondibatsira.
"Mambokadzi hanzi nhasi tiri kuda
nhopi vapikire nhopi?" mushandi
akadaro ndakavhura maziso

nhopi as in kucheka shamba ndobisa


mhodzi?"

Ehe Mambokadzi "


"Ohk" ndakadaro misodzi yatojenga

handigoni ini kubika nhopi yacho. Iyo


nhopi yakamboita breakfast when?
Kungoda kundikaurusa chete. Shuu
ndatambura wee pamusha pevanhu
ne one day . it seems like this is the
beginning. Nhopi yacho
ndaksmboibika kupi inj.
kuma 8 vanhu vakagara pavanogara
kana vachidya. Ndaiva ndatopedza
kubika dhirihora yangu. Nhopi hsnzj
ndeyemasikati. Vashsndi
vaksndibatsira kuendesa chikafu

"Warara sei mwanangu?" mai


Munyaradzi vakadaro
"Mushe mhamha" ndakadaro
ndichitarisa mambo ndakamuona
achinyemwerera.

Ndakaisa chikafu pasi. Mitemo


yepano inoda ma gorrila chaiwo
hanzi vatezvara havatauri nemuroora
the reason why i don't but i think
there is something behind . ndapedza
ndaiva ndisingszivi what is next.
Ndakatendeuka ndichida kuenda ku
kitchen
",gara pasi udye newevo mwanangu"
Mai Munyaradzi vakadaro

pandaida kugara pedo na Mai


Munyaradzi, Munyaradzi akandidana
kuti ndiuye ndigare pedo naye.
Ndakaenda kunogara pedo naye.
Vanhu vakatanga kudya. You can kuti
varikuzipirwa nechikafu changu lol.
Vari kudya vachifinyamisa huso. I
don't care hanti ndivo vasiisa chikoro.
Handina kuuya kuzo empress (a)
munhu ini. Tapedza kudya Mambo
vakatarisa Munyaradzi

"Munya"

"Baba"
"Tinoda shidhi"

Ndakashamisa ndichitarisa Munya.


Munya iye akatarisa pasi. I shidhi rei
manje rikutaurwa apa? Mai
Munyaradzi vakandiona kuti ndiri
murima.

"Shidi ramanga makarara pamsoro


paro" mai Munyaradzi vakadaro
vachinyemwerera

"Why?" ndakabvunza

vanhu vose vakanditarisa. Tafadzwa


akapera nekuseks.
"Shidhi rakasviba mwanangu
rinorataura kuti wabga uchiri
mhandara" mamoyo vakadaro.

Ndakavhunduka. Tafadzwa akapera


zvake nekuseka asi akazonyarara
baba vake pavakamutarisa

"Munyaradzi" Mambo vakadaro


"Zvayi"

"Riri kupho shidhi"

"Zvayi Shidhi haripo"


Vanhu vose vakamutarisa

"Izvi zvinoreva here kuti mangorara


kusvika kwaedza pasina
zvamamboita?" mama Ethan
vakabvunza

"Ko imwi manga muchida kuti tiite sei?


Hanti ndimwi makandisiisa chikoro
makuda kuti ndiz--"

Mao Munyaradzi vakabva


vandinyararidza.

"Nei usina kuzviita munyaradzi?"


Mambo vakabvunza
"Ohh baba nezuro munhu wese anga
akaneta saka hapana zvataita"
Munyaradzi akadaro

ohh my gosh. Ko tanga tichifanirwa


kunyovana? No ways
handingakwanisi kupa murume
wandisingadi humhandara hwangu
ibi never"
"Haa handifungi kuti pamusha pano
pane achiri kutevedzera mitemo
kunze kwa Ethan chete" Mama Ethan
vakadaro

"Munyaradzi hanti haudi kuti ini newe


tirwe?"..

" ehe baba"


"Unoziva zvaunofanirwa kuita sa
Mambo" Mambo vakadaro
vachisimuka vachienda. Midodzi
yakatanga kupisa munaziso angu asi
ndaksaidzora kuti isabuda

"Haa pamusha pano here? Nhaka


tichadzidza zvakawanda gore rino"
Tafadzwa akadaro
"Iwe Taffy wakamboita serious when"
mai Munyaradzi vakabvunza

"Asi mhamha nei pachifanirwa


kutaura nyaya dzevanhu vaviri. Why
muchitaura nezvema sheets asiri
enyu. Changosara kuti munovaitisa
imwi muchivapidigura makumbo"
tafadzwa akadaro achiseka.
Ndakona Ethan achizvibata muromo
achida kuseka. Ndaksbva ndasimuka
ndichienda ku kitchen. Wes
Anenyasha we nhamo. Ndakufanirwa
kurara na mambo zve. Ayy tichaona
tayambuka bridge. Ndakadzokera
ndichinotora ndiri. Ohh my God
ndakufanirwa kubika zvw nhopi apa
handizivi kuti ndotangira papi.
Ndiani achandibatsira? Coz ndanzwa
kuchinzi mukadzi wese nhasi
ngaasapinda mu kitchen. Ndofanirwa
kuita basa ndegs. Ndichiri kusuka
ndiro Taffy akapinda akabata ndiro..

"Uhhm wanga waita kukwapaidza


pakubiks breakfast. Haa unobika
mukadzi we brother yangu" Taffy
akadaro achiseka
"Thanks

" saka kuri sei kuroorwa?"...

"Nezuva rekutanga ungandibvunza


izvozvo here?"
"Zvakawanda zvatoitika already.
Unofanirwa kubikira mhomho yose
yepamusha pano. And iwe
unoonekwa kuti hausi type iyoyo"

"Ohh wakundiziva manje?"

"Haa Ini munhu ndomuziva


ndichangotanga kunuona nyasha dza
baba"
Ndakadzungudza musoro ndichitora
banga ne shamba nepekuchekera
shamba racho

"Nhasi tichadya dhotito unogona here


kubika nhopi yacho?"...
" aewa "

"Saka uchatibikira maranatha"

"Ndichaedza"
"Eyy ini ndingakubatsira kucheka
shamba asi kumberi uko ratova
drama but we can do something"

"Like what?"

"Google" Taffy akadaro achiburitsa


foni yake"
"Hezvo unopenfa here iwe. What if
someone sees us?"

Saka haudi rubatsiro? "

"Ndoda asi nd--"


"Vhara muromo tibvunze sekuru vedu
google" Taffy akadaro achi seacher
akapawana achibva aenda pa video.

Takaona video yacho kusvika yapera.


Ndakatanga kucheka shamba
achindibatsira. Apa mumba maiva
masviba sei asi hapana zvandingaita.
But andibadzira hake dzungures uyu.
Ndapedza kucheka ndakaisa mupoto.
Zvimwe zvaiva nyore ndaizoita ndega
hangu sezvo ndaiva ndaona pa video

*Narrated*

Kubva makuseni Zhou havasi right.


Vari kungofunga mwana wavo
"Mushavi muri right here?" mai Sarah
vakabvunza...

"Ungandibvunza sei zvinhu zvakadaro.


Handizivi kuti mwana wangu kwaari
ari sei"

"Haa baba Anenyasha ari strong


achaakwanisa mabasa ose. "
."unenge wamukanganwa nyasha mai
Sarah. Haagoni kuita mabasa
ekumusha. Kana kuri kumuka
handitauri"

"Ndamumutsa"
"Wamumutsa"

."ehe kuma 4" Zhou vakavhunduka

"Wamutsa mwana wangu kuma 4?!!"

"Ehe baba anga achifanirwa kumuka


achigadzirira vanhu chikafu
chemakuseni"

"Iwe wakambomuka kuma 4 here?"

"Ini na Anenyasha hatifanani baba.


Anenyasha aroorwa kumuzinda ini
handina kuroorwa kumuzinda"
"Hazvina basa izvo mai sarah.
Dzababa anofanirwa kumuka kuma
seven kwete na 4"

"Then vanhu vagodya nguvai chikafu


chemakuseni" Zhou vakazvibata
musoro
"Mwana wangu mudiki"

Mai Sarah vakavahaga

"Dont worry baba ndinoziva kuti


Anenyasha anokudai baba achaita
zvinhu zvichaita kuti mudade naye.
Achaita zvinhu kuti mufare"
"Iye agofara rinhi?"

"Achafara baba"

"Pane zvinhu zvaakanganwa


ndofanirwa kumuendesera now"
"Haa baba achauya kuzozvitora
rimwe zuva"

"Aewa izvi anozvida manje"

Zvichakadaro fonj ya Mai Sarah


yakarira vaiva mama Ethan. Mai
Sarah vakasuduruka pana Zhou
vachidaira vega
"Why usingadi kuti ndiuraye mwana
uyu? Anondikanganisa kuti Ethan
atore humambo"...

" unofunga kuti ndingakubvumira kuti


uuraye mwana we murume wangu?"

"Aifanirwa kufa paaichata sevamwe


vakadzi va Munyaradzi" mai Sarah
vakavhunduka

"What? Ohh ndakuona manje. Saka


ndiwe wese uyu aiuraya vana
vevanhu"

"Unoda ndiite sei? Hee!!! Chii


chaunoda kuti ndiite?"
"Chero Munyaradzi akasaita Mambo
asi mwana wako haafi akaita Mambo.
Zviise mumusoro mako izvo mama
Ethan"

"Handineti kusvika aita mambo"

"Asi ini wemurume wangu mwana


asafa"

"Asafa nei nekuti haumudi?"

"Ndakakuudza here kuti handimudi


Nyasha? Ngapasaita chero chii
chichaitika pamwana iyeye" mai
sarah vakadaro vachikata foni
*Anenyasha*

Ndakapera nekuneta. Kwanga kuri


kwwkutanga kushanda kunge dhongi
muhupenyu hwangu. Ndakatora foni
yangu ndichipinda pa facebook
ndichivhura chipoko changu
ndichichisendera message.
"Ndakachata nezuro"

Akangovhura message yangu haana


kuipindura. Ndakaenda kunogeza
ndikachinja. Ndikatora foni yangu
aiva atopindura.

"Why?"
"Same question"

"But hauratidzi kuti uri musikana


anokurumidza kuita give up ini
ndoona sekuti uri musikana anorwira
ma rights ake"

Ndarwa kusvika ndaneta"


Zvichakadaro mushandi akapinda.

"Mambokadzi pane munhu arikukudai


panze"

"Ndiani?"..
" ndi baba vako"

Ndakaisa foni pasi ndichibuda


ndichimhanya ndakawana vakagara
pa chair ndakasvika ndichivahaga

"Baba"
"Dza baba"

"Ndafara kukuonai baba"

"Uri right here mwanangu"


"Ndiri right baba"

"Ndakuvigira ma book ako


waakanganwa"

"Ndiadii baba?"
"Uchaada mwanangu"

"Ohk baba ndinotenda".

" usare mushe gotwe wangu


ndakuenda"
"Mufambe mushe baba"

"Umhorose vamwe"

Misodzi yangu yakayerera ndichiona


baba vachienda. Ndakadzokera mu
room mangu.
--------------------------

Husiku ndaiva ndakarara mu room


medu. Munyaradzi handizivi kuti ari
kupi asi zvagara handina basa nazvo.
Dai akatouya kwayedza. Kuma 10
akapinda
"Hey"

."hie"

"Zvinhu zvataurwa na baba


makuseni".

" aewa"
"Uri mukadzi wangu saka ndofanirwa
kuzviita"

Misodzi yakachururuka pandiri


"No please Munya"
Ndakadaro ndakuchema apa
airatidza kuti aiva akadhakwa

"Ndiri kumwedzi please mirira


nditangw ndapedza"

"Hazvina basa" Munya akadaro


achindidhonzera paari ndakavhara
maziso achibva andikurura mbatya
dzanfy

"Ndokumbira usandidaro Munya


please"

akandiradzika pamubhedha. Chinhu


chandiri kunyanya kutya amwa
munhu ugu saka achandirwadzisa
asina kana hanya. Akabva akurura
mbatya dzake akasara ari musvo.

misodzi yaiyerera pamatama


ndichiedza kumunyengerera kuti
asarara neni. Asi aitoonekwa aitoda
zvekutora humhandara.

"Please Munya"
Ndakamuona achipera simba
achidonhera simba achibva adonhera
pa bed. Ndakatarisa ku door
ndikaona Taffy achipinda

"Taffy handina zvandamuita


ndangoona achid--"
"Shhhhh"

"Uri kudei pano?"

"Ndiende here? Usare uchinyovewa"

"No help me"


"Saka dzungu nderei?" Taffy akadaro
achinditarisa mazamu angu ko hanti
ndanga ndatokururwa here.

"Uri kunditarisa chii?"


"Pfeka zve newevo ayy"

"Chii chaitika paari?"

"Hanti wanzwa kuti panodiwa sheet


remunyoviwa" Tafadzwa akadaro
achiseka
"Ndiri munyatwa hombe iwe uri
kuzvitora sema jokes hako"

" ndanga ndichiziva kuti nhasi izuva


renyoyi ya Mambo na Mambokadzi
ndosaka ndamwisa Munyaradzi "

"What? Wazviitiireyi Tafadzwa?"


"Asi bhinzi iri kuvava wanga uchida
kukwenyiwa?"

"Nxaa tsek Tafadzwa haugoni


kutaura zvakanaka. Its not kuti
ndanga ndichida kurara naye asi
wanga usingafanirwi kudaro nekuti
dai asina kumwa anga asingandiiti
chinhu"
"Uri bofu iwe hanti wavanzwa baba
vachiti vanoda sheet ranyoverwa"

"Yes amwa but nei akadai?"

"Ndamuisira piritsi rekuti


asarangarira chinhu"
"Zvakangofanana izvo mangwana
vachamuka vachida sheet rine ropa"

"Ndins plan" Taffy akadaro achibuda


achidzoka nechigaba
"Munei?"

"Fake blood"

"Are you crazy? Unofunga kuti


vangatadza kuona kuti harisi ropa iri"

"Saka ngatinyovane ka ropa racho


ribude"

"Nxaa unopenga iwe"

"Ndichaita plan kuti zviratidze kuti


iropa rechokwadi"
"Pamwe tingazama zvimwe"
ndakadaro ndichinyara ndichitarisa
pasi

"Taura"

"Ndiri ku period maybe zvingashanda"


"That's good plan wifey" Taffy
akadaro achindiudza kugi ndiite sei

"Ndakuenda ini kana wapedza


undidane ndiuye kuzoona kuti waita
izvo here"

Ndakabvuma nemusoro achibva


aenda. Ndakasara ndichiita
sekundiudza kwake. Ndapedza
ndakanomudana

"Hamenho kuti ndizvo here"

"Yah zviro right usakanganwa


mangwana makuseni"
"Saka haazooni here kuti hapana
zvataita"

"Usatya masango anenge matema


rinenge riri rima rega anomuka
achizvitutumedza kuti avhura gaba
ega izvo gaba rine varidzi"

"Unorevei Taffy?"
"Ayy Mambokadzi ndakunorara ini
handina kuzopindura mibvunzo. Asi
ndandauya kuzobatsira semutumwa
wa Mwari" Taffy akadaro achibuda
achienda.

ndakasara ndichikurura ndichipinda


mumagumbezi. Im sorry Munya
hapana zvandanga ndichikwanisa
kuita neniwo. Handingaendesi
humhandara hwangu just like that

*********************

Kuma 4 ndakamuka ndichigara pa


bed ndichichema sekurairwa
kwandaitwa na Taffy. I have to make
sure kuti ndino pretender kuti ndiri
kurwadziwa zveshuwa
Ndakaona Munya achimuka
achizvitarisa. Paakaona kuti
akashama akavhunduka achipfeka
nekukurumidza achiswedera pandiri.
Akanditarisa achibva atarisa sheet

"Nyasha"

Andina kumupindura
"Shit!!!"

somehow i feel so bad coz Munya


anenge ari munhu ari righr asi ini chii
chandiri kumuita. But i can do
everything for my rights.

",im sorry Nyasha i didnt mean kuita


zvinhu zvandaita im sorry please"

",buy you did it" ndakadaro


ndichichema ndichinotora mbatya
dzangu dzekugeza.

Ndapedza ndakaenda ku kitchen.


Ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso.
Ko ndichidaro mwana wevanhu?
Ndichiri kufunga kudaro ndakanzwa
ma footsteps kumashure kwangu
"Argggg"

."wavhundukei?"

"Taffy hauoni here kuti


wandivhundutsa sei?"
Haana kundipindura akavhura fridge
achitora ma ice ne bhodhoro redoro

"Are you addicted on alcohol?"

"Aewa"
Saka nei uchiita zvinhu zvauri kuita?"

"Because i want"

"Unoziva here kuti doro rauri kumwa


rinokuvadza sei?"
"Wakamborimwa here?"

"Ramba uchimwa ndakuzokurevera"

"Iti shuwa"
"Im serious Tanga doro ir harisi right
for iwe"

"Hauzivi reason inoita kuti ndimwe


saka siyana neni" Taffy akadaro
achibuda achienda

Problem yake chiiko mukomana uyu?


Ayy ndakaenderera mberi
nekugadzira breakfast yevanhu.
Zvichakadaro foni yangu yakarira
vaiva mhamha vaindibvunza kuti
ndamuka here. Pandakavaudza kuti
ndamuka vakakata foni.

Ndakaita basa rangu. Kuma 8


vashandi vakauya vakandibatsira
kuendesa chikafu. Takagara pasi
tikadya. Mambo vakatitarisa na
Munya. Munya aionekwa kuti haasi
right. Tapedza kudya vashandi
vakaudza sheet rembiri. Mai
Munyaradzi nevamwe vakatora sheet
vachiritarisa. Jesus ndakarohwa
nehana what if vachizoona kuti harisi
ropa rekubviswa humhandara iri?
Ndakatarisa Taffy achibva
adzungudza musoro neniwo ndakava
steady.

ndakaona vachibuda ne sheet


vachipururudza. Zvinoreva kuti
havana zvavaona. Tafadzwa
akanditarisa achiseka hake mwana
wekwa Zvayi.. Vakadzoka zve mukati
"Zvayi vana vaita basa" mamoyo
vakadaro

"Awuu awuy tinotenda Zvayi" mambo


vakadaro vachikwazisana na Munya.

ndakasimuka ndichienda ku kitchen


after some minutes Taffy akapinda
takaseka tichirovana maoko

"We did it" ndakadaro tichihagana


tichitarisana kwenguva yakareba.
Ndakabva paari nekukurumidza

"Thanks" ndakadaro ndakutambisa


zvigunwe. Chii changa chakuda
kuitika
"You welcome" Taffy akadaro
achibuda

ndakasara ndichisuka ndiro after


some minutes ndakadanirwa kune
imwe imba
."tinotenda Mambokadzi "
ndakatarisa pasi

"Unoziva tanga tisingazvifungiri kuti


ungakwanisa kumuka makuseni
uchiita vasa remumba " mai
Munyaradzi vakadaro

"Nesuwp tashamisika nazvo. Saka


usachimuka makuseni seni
uchamuka nenguva dzinomuka
vamwe harisisiri basa rako wega iri
uye maiguru vako Maidei varipo
mukadzi wa Tichaona
muchabatsirana sezvo wanga
usingamuoni kune kwavanga vaenda
asi vamodzoka nhasi" Mamoyo
akadaro

"Ehoyi"
"Sezvo tato usachimuka na 4 hatina
kuti rara kusvika zuva rakupinda
mumagadziko" mama Ethan
vakadaro

"Aewa handidaro mhamha"

"Chienda hako" mai Munya vakadaro


ndakasimuka ndichienda mu room
medu. Ndakawana Munya akamira pa
window. Aionekwa kuti aiva
nezvaaifunga. Ndakatanga kuwarura
mubhedha

."handina kukuvadza here?" Munya


akabvunza asina kumbonditarisa
"Aewa hauna"

"Eish ndiregererere hako ndanga


ndisingafanirwi kuzviita"

"Zvatodarika kwandiri coz at the end


tanga tichazviita"
"I need to go" Munya akadaro
achibuda.

ndakasara ndichigara pamubhedha


ndichizvibata musoro. Ohh God
please forgive me nezvivi zvangu.
Ndakatora foni yangu ndichipinda pa
facebook Charmer aiva asina
kumbosenda message ndakabva
ndamumhorosa
"Hi"

Akabva atopindura ipapo

"Uri kudei? Hanti waiva wakandi


blocker?"
"Ohk so haudi kutaura neni here?"

"Chii chandichataura nemukadzi


wemunhu?"

"You know wani everything is


compromise"
"Chero zvakadaro hazvingachinji kuti
wava mukadzi wemunhu"

"So zvinhu zvose zvawaitaura zvaiva


zvekunyeba?"

."no use for it"


"Ohk good day" ndakadaro ndichiva
offline

i don't know how i feel nezvinhu


zvataurwa na Charmer but the way i
feel now handidi kuzviisa mupfungwa
dzangu
*Narrated*

Vakomana vekwa Zvayi vaiva


vakagara vachikurukura havo

"Nhai Ethan newe Tafadzwa


munoroora rinhi?" Tichaona
akabvunza. Tafadzwa akapera
nekuseka
"Hezvo wasvika nguvai ikoko dzokera
kumashure ikoko?" Tafadzwa
akadaro

"Zvagara iwe kuroora hazvisi zvako


Taffy waona here kuti wandiitei
nezuro" Munya akadaro
"Akuitei"

"Kundimwisa doro kusvika


ndakangamwa zita rangu
pandinopinda mumba ndini uyo
pamsoro pamandlovu ndikatora
humhandara hwake. Kuti ndazviita
sei neniwo handizivi. "

"Hezvo wakumwa doro here iwe?"


Tichaona akabvunza

"Hauzivi Situation yandanga ndiri iwe.


Asi handisato ndava Mambo ka"

"Mwedzi unouya unoiswa pachigaro"


Tichaona akadaro
"Tichatangira ipapo" Munyaradzi
akadaro vachiseka

vachiri kuseka kudaro mushandi


akasvika pavari achiti atumwa na
mambo kuti auye kuzodana Ethan na
Tafadzwa. Vakabva vatosimuka
ipapo vachienda. Vakasvika
vachipinda mumba
."tauya baba" Tafadzwa akadaro

"Ndiudzei imwi muri vaviri


munombofungei chaizvo?"

"Nei baba?" Ethan akabvunza


"Mucharoora rinhi vakadzi" Mambo
vakabvunza

"Haa nekuno zve ayy ini wangu


Tafadzwa haasati akuzvongonyoka
anongozvongonyoka achida kuita
wiwi chete saka musandiverenga
pakuroora husiku ndomupei mukadzi
wacho?" Tafadzwa akadaro
"Unopenga here iwe Tafadzwa?"

"Baba tichiri vadiki isu" Ethan akadaro

"Ndiri kukupai mwedzi miviri kana


pasina change ndichaita plan. Garai
muchiziva kuti mushure memwedzi
miviri muri kuroora" Mambo vakadaro.
Ethan na Tafadzwa vakatarisana
"Chiendai henyu" Mambo vakadaro.

Vakasimuka vachienda.

"Pamwedzi miviri yataurwa na baba


yangu tsvimbo ndinenge ndatoicheka
ndosara hangu ndisina chinhu. Ini
kuroora never. Zvinozodawo
kumanikidzwa here kuti Tafadzwa
nguva yekuvhura zip yakwana. Baba
vakubhaizawo apa" Tafadzwa
akadaro. Ethan akamuseka

end of Chapter

https://chat.whatsapp.com/Bteuskxx
dSyClNRIHoy0wp
*from chapter 1 pindai umu ȯǤȯ
Ǥ*

*Anenyasha*

*Written by Makalulue*
*Chapter 6*

*Anenyasha*

Its been a month now ndakaroorwa


zvikoro zvakavhurwa vanhu
vakatotanga ku register asi ini
ndakagara pamusha ndiri kuvabikira
ndichivaitira zvose. Handizvidi zvinhu
zvose zviri kuitika pandiri ini.

Ndakaedza kutaura na Munyaradzi


nezvekuchikoro asi akatondiudza kuti
tisiyane nenyaya iyi nekuti
hazvimboitiki izvi. Ndiye chete munhu
wandaifungira kuti achandibatsira asi
naiyevo akafanana na baba vake
hutsinye.
Asi chinhu chandakangofarira paari
kubva zvaakaziva kuti andibisa
humhandara haana kuzoda zve kuti
tirare. Tinongorara as brother and
sister

kana ari sa Taffy. Yuu ndiye munhu


wandaifunga kuti ndichava shamwari
naye asi andichinjira mazuva ano. It
seems like anondi avoider i dont
know ndakamuitei. Ndakabva
ndaenda mu room make nechikafu
ndakamuwana achiita video call i
think musikana wake

"Babe ndichakufonera pane munhu


wandoda ku attender"
"Hey"

"Hello mukadzi wa mukoma"

"You really have to say that?"


"Hezvo ko hausi mukadzi we brother
yangu?"

"Ndokumbira tisataura nezvenyaya iyi


ndakuvigira chikafu handina kukuona
uchidya nhasi"
"Handina nzara"

"Hezvo hauna nzara since morning


hauna chawadya"
"Ko iwe unotevererana nei kuti ndiri
kuitei? Eish pamusha munhu haafi
akawana peace please leave me
alone Mrs Zvayi"

"Taffy tell me ndakakuitei nekuti it


seems like ndinokunhuhwira?"
"Unoziva zvawakandiita"

Handina kumupindura
ndakangomutarisa

"Kugara uchingonditeverera siyana


neni please"

Ndakatora chikafu ndichibuda, chiiko


neni kutevererana na Tafadzwa
haivawo iye kuzovhaira argg maan.
Ndakadzosera chikafu ndichibva
ndaenda mu mu room mangu
ndichitora foni ndichinyorera charmer
message asi haana kupindura
ehh munhu wese ava kundivenga.
Ndakabva ndaenda ku kitchen
ndikawana Maidei achibika

"Hey Ane uri right"


"Yah im fine"

"Kana pane zvinokunetsa usatya


kutaura neni"

"Dont worry maiguru kana pane


zvinondinetsa ndichauya kwauri"

"Kana iri nyaya yekuroorwa dont


worry uchajaira neniwo ndakasvika
pano ndiri mudiki"
"Wakasvika pano nerudo Maidei ini
ndakaroorwa zvekumanikidzwa apa
Munyaradzi wacho anoyenzana ne
first born yekumba kwedu argg
maan Munyaradzi iharahwa iyi"

"I understand asi vakawanda vanhu


vanoroorwa vasingadi asi nekufamba
kwenguva vanenge vakudanana
zvinomwisa mvura ndokumbira upe
mukana"
"I dont think maidei tava nemwedzi
tiri tose asi hapana chinoitika pandiri"

"Ndokumbira ushingirire Ane "


"Ndichaedza"

Zvichakadaro Tafadzwa akapinda

"Gulez ndiri kufa nenzara mabikei?"


Tafadzwa akabvubza akatarisa
Maidei

"Ohh ndanga ndatokupakurira chikafu


chako icho apo"

Tafadzwa akatora chikafu chake


achibuda achienda

"He is so sweet"

"Wava nenguva yakadii uchimuziva?"


"15 years"

"haa you mean une 15 years


wakaroorwa pano?"

"Ehe ndagarisa pano"


"Uhhm taura hako"

"Taffy ndakamuwana achiri rusvava


asi nhasi ava baba"

"Yah pakaipa" ndakadaro


ndichimubatsira kubika
*Narrated*

Kunze kwaiva kwasviba Anenyasha


aiva akagara mune rimwe room
risingapindi vanhu aiverenga ma
book ake. Zvichakadaro door
rakavhurika Tafadzwa akapinda.
Anenyasha akakurumidza kuviga
mabhuku ake
"Uri kudei muno? Chii chauri kuviga?"

."hapana"

Tafadzwa akaswedera achitora


mabhuku ake achiaisa pachena
"Mabhuku"

Misodzi yakatanga kuyerera pana


Anenyasha

"Ndokumbira usaudza munhu"


"Nei uchiverenga wakaviga?"

"Ane uri kuchemei?"

"Ndoda kudzokera kuchikoro ini"


"Dzokera zve"

"Unouziva mutemo wepamusha


pano"

"Munyaradzi wataura naye here?"


"Ehe asi andi ignowa"

"Wanga uchidzidza kupi?"


"UZ"

"Okay unokwanisa here kudzidza part


time uchigara pano. Ucha register
part time"

"Asi ndichadzidza sei nekuti


ndofanirwa kuita mabasa emumba?"
"Ndiyo chete nzira yekudzidza
hapana imwe uye unofanirwa
kuvavanzira kuti unodzidza nekuti
unoziva kuti havangabvumi"

"Handina ku register"
"Ndichakuitira hande mu room
mangu" Tafadzwa akadaro vachienda
muroom make .

Vakasvika Tafadzwa akatora laptop


yake akaidzvanya dzvanya achibva
atarisa Anenyasha.
"Done"

"Asi part time inodhura ndoiwana


kupi mari yacho?"

"Murume wako ane type yose yemari


yaungafungira"

"Asi unoziva kuti zvauri kutaura uri


kupedza nguva"

"Ohk siira ini zvose izvo "


"Pane zvinhu zvinodiwa kana nda
register kuti ndinotenga ini
handibvumirwi kubuda muno"

"Ndichanokutorera"
"Thank you so much Taffy"
Anenyasha akadaro achimuhaga

"You're welcome" Tafadzwa akadaro


vachitarisana mumaziso vachibva
vakisana kwenguva diki. Anenyasha
akavhunduka achibva paari
"I need to go Anenyasha akadaro
achimhanya achibuda

*Anenyasha*

Shuu i don't believe zvinhu


zvichangobva kuitika pakati pangu na
Taffy. Ndanga ndapindwa neiko.
Ndakaroorwa nemukoma wake for
goodness sake. Ndakamhanya
ndichipinda mukamuri medu
ndakawana Munya akagara pa bed

"Hey"

"Hey uri kuvhundekei"


"Uhhm ha-- hap-- hapana"

"Aewa pane zvaitika chete


haungangopindi muno uchimhanya
uye unenge wavhunduka pane munhu
ataura something kwauri here?"
"Munyaradzi ndaita ne mistake ndak--
"

handina kuzopedza kutaura


Tafadzwa akabva apinda.

"Broe ndauya kuzokumbira rubatsiro


rwako " Taffy akadaro achidzungudza
musoro achinditarisa
"Rubatsiro rwei?"

"Ndokumbira utaure na baba uvaudze


kuti ndakuda kudzokera ku America "
ndakavhura maziso

"America!! Hanti wakapedza here


kudzidza?"
"Pane zvinhu zvandinoda kunoitako
broe zvino ini ndikataura navo
vanenge vachingotaurira ngano
dzana tsuro na gudo"

"Now pane zvinhu zvandoda kuita


ndichataura navo manheru"
"Thanks broe"

Munya akabva abuda Tafadzwa


akanditarisa

"Wanga uchida kudii?" Taffy


akabvunza
"Kukumbira ruregerero pazvinhu
zvataita"

"Agokuregerera here?"

"Handizivi asi ndiri kunzwa sendine


mhosva nezvinhu zvataita. Tanga
tisingafanirwi kuzviita"

"I know but kumuudza hakusi


kugadzira zvinhu. Zvichakonzeresa
noise please ndokumbira
usamuudza"

"Wakudzokera"
"Yes"

"Ndichasara ndichibatsirwa nani


zvinhu zvechikoro?"

"Ndichakutsvagira munhu"
"Asi wandivimbisa kuti
uchandibatsira then why wakuenda?"

"Nekuti ndofanirwa kuenda ka"


"Saka ndozvaunoita kuvimbisa
munhu chinhu wobva wamusiya
akaremberera?"

"Nei wadaro?"

"Unoonekwa kuti uri munhu


wekunyeba ungavimbisa munhu
chinhu pasina ten minutes wobva
waenda"

"Handisi kunzwisisa ini"

"I was just saying maybe neku


America variko vawakatoita
sezvawandiita"
"Handisi munhu iyeye wauri kufungira
kuti ndiri"

"Ndakufungira kuti uri munhu akadii?"

"Iyeye wauri kundifungira ndiwe


unoziva asi handisi munhu iyeye"
Tafadzwa akadaro achibuda
achienda.

Ndakasara ndichitora foni yangu


ndichipinda pa Facebook Charmer
ndiye chete munhu anodzosa mood
yangu. Pandakatarisa facebook. Aiva
asina kupindura message yangu
yekutanga
"Hello stranger"

Akangovhura haana kundipindura

"Ohh wakundi ignore manje?"


Akangovhura haana kundipindura
ohh naiyevo haachadi kutaura neni.
Ndakabva ndabuda ndichienda ku
kitchen. Ndakawana mai Munyaradzi
vari ku kitchen

"Mambokadzi pane zvauri kuda?"


"Aewa mhamha ndanga ndauya
kuzomwa mvura"

"Ohk wamboona Tafadzwa here?"

"I think ari mu room make"


"Mhamha pavaida kudana mushandi
ndakavatarisa

"Dont worry mhamha


ndichanomudana" ndakadaro
ndichienda mu room make.
Ndakasvika ndichivhura door aiva
pafoni

"Ohk ndichauya kuzokutora husiku"


Tafadzwa akadaro achikata foni

"Ukagogodza unofa here?" Tafadzwa


akadaro
"Uri kudamwa na mhamha vako ku
kitchen" ndakadaro ndichidzokera ku
kitchen, akanditevera kumashure

"Ndanzwa kuti wakuda kuenda"


"Ehe mhamha chero nhasi chaiye"

"Asi unogoenda sei mukoma wako


achigadzikwa pahumambo mwedzi
unouya"
"Ndichadzoka mhamha"

"Baba vako handifungi vakazvibvuma


izvo"

"Saka munhu akufanirwa kurarama


hupenyu hweumwe munhu ayy
zvinhu zvepamusha pano
zvinobhowa maan" Tafadzwa
akadaro achienda. Mai Munyaradzi
vakadzungudza musoro

"Zvarai muone kuti zvorwadza sei"

Ndakaseka ndichivatarisa
"Pamwe akufunga shamwari dzake"

"Shamwari dzake dzakosheiko


kudarika family yake"

"Pakaipa mhamha"
Mai Munya vakabva vabuda

*Tafadzwa*

Month later
Handizivi kuti ndiite sei. Ini chinhu
chandakuda kubva pamusha pano
ndinogara ku Amerika. But anyway
ndangosarirwa nemazuva mashoma
sezvo Munya achigadzikwa
pahumambo nhasi. Zvichakadaro
ndakanzwa munhu aindibata pafudzi
aiva Tom shamwari yangu. Ndaiva
ndakatarisa Anenyasha achiendeswa
panzvimbo inogara Mambokadzi
"Shiit!!! Mukoma wako ane mukadzi
apa"

"Yah ari nani hake"

"Haa Tafadzwa usati ari nani akanaka


mwana wevanhu"
"Ohk "

"Ko manje kuzotarisa mukadzi


wemukoma wako neziso rakadai
kwakanaka?"
"Iwe mupfanha unopenga. Maziso
angu orega kutarisa paanoda nekuti
zvichanzi ndakatarisa mukadzi wa
Munyaradzi?"

"Saka nei usina kupfeka mbatya dze


huprince?"
"Hu Prince hwekumama"

Pakazoitwa zvinhu zvose Munya


akagadzikwa pahumambo. Nhasi
kuma seven vari kuendesa Munya
hamenho kupi. Vachodzoka after 1
week. Handidzizivi nyaya dzavo dze
Humambo ini asi nhasi varume vose
vari kuenda
"Taffy asi hauendi?" Tichaona
akabvunza

"Eyy handiendiko ini"

"Panofanirwa kusara umwe murume


pamusha pano. Hatingasiyi vakadzi
vega" jinda guru rakadaro

"Muudzei baba"

"Ok ok ndanga ndichingobvunza ini


handina kumboti ndiri kurwa" Ticha
akadaro
Vakagadzirira vachibva vaenda. Ini
ndakaenda mu room mangu
ndichiedza kurara asi hope
dzakaramba kubata ndakamuka
ndichienda mu room ma Anenyasha

*Anenyasha*

Ndaiva ndakarara ndega mu room


mangu. Ko hanti vanhu vaenda uye
Ndofanirwa kujaira kurara ndega
nekuti vaenda kwesvondo rose.
Ndaiedza kurara asi hope dzaiva
dzisingabati ndaingoshanduka
nonstop. Zvichakadaro ndakanzwa
knock pa door ndakaenda kunovhura
aiva Tafadzwa

"Taffy uri kudei pano nguva dzino?"


"Ndavinga iwe"

"Unondidii?"

"Hande mu room mangu pane


zvandoda kukuratidza"
Takabva tabuda tichienda mu room
make. Akasvika achivhura laptop
achitura befu akanditarisa.

"Ahh nxaa ndakuenda ini.


Wandidanira kuzonditarisa chete
usina zvaunotaura"
Pandaiva ndakusimuka akaita laptop
on achienda ku facebook.
Ndakavhura maziso ndichishamisika

"And then"

"Wait"
Ndakavhunduka ndichiona account
ye facebook yaiva yakanzi Lucky
Charmer

"Lucky Charmer?"
Akanditarisa achivhura ma
conversations edu

"Are you Lucky Charmer?"

"No ndonzi Tafadzwa iyi i fake


account inongozivikanwa neni newe
chete. Sezvo wakuiziva ndichaibisa"
"I dont believe this. Nei wakaita
zvinhu zvakadai?"

"Because i love you Anenyasha.


Ndakakuda nezuva randakatanga
kukuona. Handisati ndambonzwa
zvakadai pamunhu wechikadzi kana
ndiri pedo newe"
ndakavhura maziso

"You love me Tafadzwa? Saka nei


wakandishandisira fake account?"

"To be honest ndaikutya. Ma gents


munharaunda aindiudza kuti uri
munhu akadii so ndaikut--"
"Ndiyo chete reason iyi
yaungandiudza? Unonditora sei
Tafadzwa?"

"I'm sorry but now i can't take it i love


you Anenyasha"

"Problem yako uri gwara nguva yose


waindiita benzi ndichitaura newe"
"Nekuti newevo unondida ka"

"Ndiri mukadzi wemukoma wako


zviise mumusoro mako izvo.
Wakatadza nenguva yacho now
wakuda kundikanganisira zvinhu"
"Anenyasha ndakakuda kare ini
ndaishaiya kuti ndotangira papi.
Ndosaka ndakazouya ne plan ye fake
account"

Kubva nhasi we will say handina


kumbobvira ndakataura na Lucky
Charmer newevo hauna kumbobvira
wakataura na Anenyasha.
Ukangopamha zve ndinoiudza family
yose nekupenga kwako kwawanga
uchiita"
"Ane please ndokumbira undipe
mukana i love you please. Ndakakuda
Munya asati atomboziva kuti kunewe
panyika"

"Ndidane mai vako here vauye


kuzonzwa zvauri kutaura?"
Mai vangu vapinda papi manje?"

"Tafadzwa nguva yose iyi wanga


uchindiita benzi hako ndichikuudza
zvose zvaiitika pandiri uchinyebera
kusaziva izvo ndiwe hako. Arrgg
maan!!" ndakadaro ndatobhowekana
ndichisimuka ndichienda mu room
mangu
I dont believe this. Ndakapinda mu
room mangu ndichigara pa bed.
Nguva yose iyi ndaitaura na
Tafadzwa. Munhu wandinogara naye.
Munin'ina we murume wangu?

I think zviri nani aende ku America


kwake nekuti angazondikanganisira
imba yangu. Ndichiri kufunga kudaro
door rakavhurika aiva Tafadzwa
"Uri kudei Tafadzwa?"

"Ndoda chokwadi?"

"Chokwadi chei?"
"Do you love me? Yes or no?"

"Handikudi Tafadzwa buda muno"

"Ohh Tafadzwa haumudi asi Lucky


Charmer ndiye waunoda"
"Yes ndaimuda ndaiva ndisingazivi
kuti ndiwe buda muno Tafadzwa
ndakuda kurara"

"Ohk fine ndichaenda" Tafadzwa


akadaro achibuda achienda.
Ndakasara ndichipinda
mumagumbezi ndichirara
Makuseni ndakamuka ndichigadzira
breakfast ndaibatsirwa na Maidei?

"Mainini muri bhoo"

"Handisi bhoo ini i miss my parents"


"Now wakubvumirwa kunovaona
enda unokumbira kuna mhamha
havarambi"

"Ohk ndichaenda tapedza zvatiri


kuita"
"Ohk Mambokadzi"

Ndakabva ndaseka

"Chii manje?"
"Its weird"

"Dont worry uchazvojaira"

"Munyaradzi"
"Adii?"

"He's innocent right?"

"Yah he's innocent asi


ukangomutsika chigunwe
ndopaunoona ma true colours ake"

"Eish unoziva pane zvinhu


zvandinomboda kumubvunza asi
ndichitya kubvunza"

"Bvunza hako?"
"Ane vana here? Akamboroora
before?"

Maidei akanditarisa achitarisa pasi


"Ohh it's fine kana zvisingaiti kuti
undiudze i will understand"

"Yah akamboroora uye ane vana


vaviri mukomana nemusikana"

Ndakavhura maziso
"Zvino vari kupi?"

"Mukadzi paakangonzwa kuti


Munyaradzi akuroora mukadzi wechi
two akamuka asipo zvese nevana"
"But why vasina kuvatsvaga nzvimbo
yose"

"Ihh unofunga kuti havana kuzviita


here? Linda aiva calm asingatauri
ndaiva ndisingafungiri kuti angaita
zvinhu zvakadaro. Vakavatsvaga
kusvika vaneta"
"Unoziva Munya anofarira kumira pa
window paanobvapo maziso anenge
akatsvuka maybe ndizvo zvaanenge
achifunga"

"Munya aimuda mukadzi wake


handidi kunyeba. Zvicharema kuti
Linda abude mupfungwa dzake. But
since iwe wavapo pamwe
achakanganwa nezvake"
"Yah ndavapo ndichava Munyaradzi
wake" ndakadaro tichiendesa chikafu
tichigara pasi tichidya.

"Taffy uri right mwanangu"


"Ndiri right mhamha "

"Ndakamutarisa Taffy ndikaona


maziso ake akatsvuka. I think
Ndofanirwa kutambira kure naye
kuitira hupenyu hwake. Ndipe Munya
mukana ndione kuti tichasvikepi.
Tapedza kudya takatora ndiro
tichinosuka na Maidei

"Chienda unokumbira kuna mhamha"


Maidei akadaro
"Thank you" ndakadaro ndichienda
kuna mhamha

Ndakakumbira vakabvuma vakanditi


Chero ndikararako no problem. Taffy
ndiye achandiendesa. Ndakasimuka
ndichinyemwerera . i cant wait to see
my father. Ndakarongedza zvinhu
zvandaizoshsndisa ndichibva
ndabuda. Ndakawana Taffy
atondimirira
Ndakapinda mumota achibva
aimutsa tichienda kumba. Munzira
takasangana neumwe musikana.
Taffy akamisa mota achibva aburuka
vachihagana vachikisana mberi
kwangu here amana?/ shuu Taffy
anodherera uhu. Adii kutanga
andiendesa kumba ozoita chihure
chake nxaa.
vapedza kunhanzvana akauya
mumota kana kumbondikumbira
ruregerero nekundirindisa nxaa maan.

Takasvika kumba akandivhurira door


remota ndichibva ndabuda

"Thank you"
Haana kundipindura ndakatora bag
rangu ndichibuda ndichipinda mumba
family yose yaivapo chero mukoma
kurai vaivapo ndakatanga nekuhaga
baba

End of Chapter
https://chat.whatsapp.com/Bteuskxx
dSyClNRIHoy0wp
*from chapter 1 pindai umu ȯǤȯ
Ǥ*

*Anenyasha*

*Written by Makalulue*
*Edited by Ellena*

*Chapter 7*
*Narrated*

Munya aiva akagara achifunga kure.


Tichaona akaswedera paari pavaiva
vakagara musango.

"Boy kwakanaka here?"


"Eish mukoma ndakufunga mukadzi
wangu manje"

"Awuu shuwa here?"

"Shuwa Zvayi . hauzivi zvandinonzwa


kana ndiri pedo nemukadzi uya asi
iye anoratidza kuti haasi comfortable
kana ari pedo neni anenge anonditya.
Wesi pazvinhu zviya zvakaitika
ndinototya kumutarisa"

"Mupe mukana boy handiti unoziva


kuti akachatiswa chisiri chinangwa
chake, iye achiri ku imaginer
achidanana nevakomana vechidiki.
Achizadzikisa zvishuviro zvake iwe
uri harahwa zve kwaari
usakanganwa" Tichaona akadaro
achiseka. Mambo vaiva kumashure
kwavo naivowo vakaseka.

"Shuwa here"

"Mupe mukana Zvayi"


"Ndinotenda broe"

"Uri wekwedu iwe" Tichaona akadaro


vachisimuka vachienda kune vamwe

***************
Kwa Zvayi vaidya chikafu
chemanheru

"Mai Munya nei mabvuma kuti


Mambokadzi anorara kumba kwavo"
Mama Ethan vakabvunza
"Hayi achiri mwana uyo anofanirwa
kupota achinoona mhuri yekwavo"
mai Munyaradzi vakadaro.

"Mwana akaguma kare kuenda


kumba kwavo siyai mwana kani"
mamoyo vakadaro
"Asi ava Mambokadzi ka
haangaswerere kumbeya
mumigwagwa. Ewuu vakadzi va
Prince vamwe vanofa vamwe
vanotiza vamwe vanofarira kumbeya
mumigwagwa"

"Mama Ethan tanga wafunga usati


wataura"
Mai Munyaradzi vakasimuka vatova
down mamoyo akavatevera

"Musazviisa mumusoro maiguru


mama Ethan hapana asingamuzivi
ndozvaari"
"Nazvino ndichiri kuzvibvunza kuti
vazukuru vangu vari kupi. Munya
ndomuziva ini mwana wangu.
Angaedza kuzvishingisa asi mumoyo
make nyaya yevana inomudya. Haisi
nyore kurasikirwa nevana vaviri"

"Ndinozviziva maiguru asi imwi siyai


zvose kuna Mwari vachakunyaradzai
rimwe zuva"

"Shuwa here"

"Ehe vachauya vazukuru vanhu


vakarivavara"
"Ndinotenda mainini"

*******************

Anenyasha aiva akarara mu room


make foni yake yakarira aiva
Tafadzwa

"Uri kudei Tafadzwa? Nguva dzino"

"Hezvo Anenyasha ndingadei shuwa


kwauri? Ndanga ndichingoda
kukuudza chete kuti wasiya bag rako
mumota mangu uye handidi kuriona
mumota mangu rinondisembura"

"Ndouya mangwana Tafadzwa siya


kungondifonera pawadira ndoda
kupa Munyaradzi mukana"

"Saka ndini ndakakumisa kuti


usamupa chance?"
"Ndanga ndichingokuudza chete"

"Saka unoti kudii nenyaya yekuti


wakakisana neni?"
"Ndichamuudza chokwadi hapana
imwe nzira"

"What? Unopenga here? Unoda


kundigwasanisa na Munyaradzi"
"Handina zvandingaita Tafadzwa
kunze kwekuti ndimuudze chokwadi"

"Ohh saka unoda kungigwisanisa na


Munyaradzi?"

"Ndinenge ndisingakugwisanisi asi


ndinenge ndichimuudza chokwadi"
"Anenyasha ndokumbira usandidaro
unoziva here zvichaitika pandiri Kana
family yose ikaziva nezvenyaya iyi"

"Iwe pawainyebera kundibatsira


waiva usingazvifungi here kuti
zvichabuda. Uchinyebera
kundibatsira izvo newevo ukutoitira
ku side kwako. Hauna kungwara
Tafadzwa ndinomuudza Munyaradzi"
"Okay"

Anenyasha akakata foni


zvichakadaro pakapinda message
yaibva kuna Munyaradzi
*i miss you my queen mafoni kuno
haashandiswi ndatoita zvekuba foni*

Anenyasha akaverenga message


achinyemwerera achiipindura
*kamuri iri riri empty kunze kwako
Zvayi*

Munyaradzi haana kuzvi believer kuti


Anenyasha ndiye aiva anyora izvi.
Akarova zi smile raisvika kuseri
kwenzeve

*Anenyasha*
It was nice kuva kumba now
ndakufanirwa kudzokera.
Ndakaoneka family yangu
tichihagana ndichinopinda mumota
sezvo Tafadzwa aiva atosvika

"Mhamha ndivo vati ndiuye


kuzokutora dai vasina kundiudza dai
ndisipo pano"

"Ohk thanks".

" kwanga kuri sei kumba?


"Kwanga kuchinakidza yoo"

"Isu kwedu kwanga kusinganakidzi


hanti wanga usipo"

"Ndinonakidza nei kana ndiri kumba


ukwane Tafadzwa"
"Haa kubva wandituka kudaro ndanga
ndichingotaurawo hangu it's not like
nditori serious nazvo. Unganakidza
nei iwe Anenyasha nekushata kwako
ikoko kunge sadza radonhera muvhu"

"Tafadzwa unenge unokanganwa kuti


ndiri mukadzi we mukoma wako"
"Inini ndanga ndichitoti pamwe tiri ma
shamwari"

"Handisi shamwari yako ini Tafadzwa


ndakuziva ma true colours ako".
"Okay "

hapana akazotaura zve neumwe


kusvika tasvika kumba. Ndakaburuka
mumota ndikananga ku kitchen vana
mhamha vaiva vakagara vari vatatu.
Ndakavamhorosa vakandibvunza kuti
kwanga kuri sei.
Ndakavaudza ndichibva ndaenda mu
room mangu. Ndakasvika
ndichivhura wardrobe ya Munyaradzi.
Ndakasanga ne album yaiva yakazara
ma picture e vana vake neemukadzi
wake. Ndakatora yake ane vana vake.
Ndakanyemwerera ndakaitarisa.
Ndoda kumu supriser but ndine worry
maybe surprise yangu
haazoifariri.ndakabuda ndichienda ku
kitchen ndakawana kuna mhamha
Mamoyo
"mhamha"

"Mambokadzi"

"Munyaradzi anouya rinhi?"


Mhamha vakaseka. Ndakatarisa pasi
ndakunyara

"Aewa usanyara murume wako ka


mwanangu anouya mangwana"

"Ohk mhamha ndechipi chikafu


chaanofarira"..
Mhamha vakandiudza ndichibva
ndaenda mu room mangu ndichitora
foni ndichifonera Talent

"Mambokadzi " talent akadaro


ndakaseka...
"Nxaa unondipengera iwe"
Talent akaseka.

"Ko hausi Mambokadzi?"

"Eyy siyana neni Talent. Listen i need


your help"
"Yeyi?"

"Pane picture yandinoda kukudza


ndokumbira undiitire"

"Okay so ndichaita sei?"


"Ndokumbira kuti usvike kumba
kuzoitora"

"Okay my love" Talent akadaro


tichionekana.
*Narrated*

Tafadzwa aimbeya mu room make


achingofunga nezva Anenyasha..
Anenyasha iye aifunga murume wake
asi worry yaiva pakuti Munyaradzi
achamubvumira here kuti azadzikise
chishuviro chake chekupedza chikoro
sezvo azviudza kuti Munya paanouya
achamukumbira.
Tafadzwa akamwa doro kusvika
adhakwa achibva abuda achienda mu
room ma Anenyasha. Zvose izvi
zvaiitika nguva dzaiva dzava kuma
ten husiku. Akasvika pa door
achigogodza

"Ndiani?"
"Tafadzwa"

"Tafadzwa uri kudei nguva dzino?"

"Ndauya kwauri babe wangu"


"Usadaro Tafadzwa nei uchida kuti
ndikugwisanise na Munyaradzi"

"Saka unoda kutigwisanisa sei?"

Ndichamuudza kuti uri kunyangira


mukadzi wake. Ndichamuudza zvose
Tafadzwa try me"
"Ngatitize Ane"

"Kutiza kuchienda kupi?"

"Tichaenda chero kupi. Dubai, Paris


America. Ndakapedza zvidzidzo
zvangu Ane ndichakuchengeta"

"Ndiani ati ndoda kuenda newe ini?"

"You love me Anenyasha i love you


too"
Anenyasha akanzwa hasha achibva
asimuka achimurova nempama

"Unondipengera Tafadzwa buda


muno ndisati ndadanidzira kuti unoda
kundirepa"

"Ohh unoda ndikurepe?" Tafadzwa


akadaro achibata zip achiswedera
pana Anenyasha
"Please Taffy don't do that"

Tafadzwa akaseka

"Ndanga ndoti pamwe wakuda


nditanhe fresh murivo usati
wambotanhwa. Asi wava bhoo uyu
haungangodiridzwi usitanhiwi
swedera tione Anenyasha
ndimboseva nemurivo uri fresh"

"Please Taffy"

"Kutamba hangu ko unongobaka


pamuromo chete kuchema hatani.
Handisi rapist ini ndodya
zvandapihwa. Ndakuenda manje asi
ugare uchiziva kuti unodiwa neni
zvakanyanya. Ndichagara
ndakakumirira kuti undiudze
zvawakavharira mumoyo mako"

Anenyasha akarola maziso.


Tafadzwa akabuda achienda

*Anenyasha*
Mangwana ndakamuka
ndichigadzirira chikafu chanzi
chinofarirwa na Munya. Hameno
ndikazobika nenzira yaanoda nayo.
But ndo believe pakuti chinhu
ukachiita nerudo unenge watopedza.
Ndichiri busy Maidei akabva apinda

"Busy busy " Maidei akadaro.


Ndakanyemwerera ndakamutarisa..

"Iyazve. Zvaunenge ukubika chikafu


chinodiwa na Mambo"

"Ohh ndanga ndisingazivi"


"Im sure zvangonangana"

"Taura hako" ndakadaro ndichiseka

ndapedza ndakaenda mu room


mangu ndakunogadzirira sezvo
kwanzi vari munzira. Ndakaisa
picture ya Munyaradzi pamadziro ko
hanti Talent andigadzirira
6 yakachaya vasati vauya ndakagara
pa bed ndatova down. Ko vari kupiko?
Inga wani hanzi vasimuka kare kare.
Ndakagara kudaro ndakanzwa door
richivhurika. Ndakajamba
ndichisimuka aiva Munyaradzi

."Hey "
Ndakaswedera paari ndichimuhaga

"Mafambe sei?"

"Hapana chakaipa chatiwira chete ini


ndanga ndakufunga kumba chete".
"Neniwo ndanga ndakukufunga "

akanditarisa achinyemwerera

"Shuwa here?"

"Yes Zvayi wangu"


Akanyemwerera achigara pasi
ndakanotora chikafu ndikauya
ndichimupa

"Ohh my favourite food"

"This one ndabika special for you".


Thank you my Queen" Munyaradzi
akadaro achidya kusvika apedza

paakapedza akatarisa pamadziro


akaona pic yake. Akashamisika
achisimuka achiswedera pairi
"What? How?"

"Your daughter and your son"


ndakadaro ndichinyemwerera.

.
"Waziva sei?"
"Ngatikanganwe neizvo vakanaka
hanti?"

"Zvakanyanya thank you so much"

"You're welcome"
"I wish kuti dai vanga varipo
ndichivaona siku nesikati"...

"Don't worry Mwari vachauya ne plan


uchavawana vana vako"

"Thank you so much Ane" Munya


akadaro achindihaga
*Tafadzwa*

Husiku ndaiva ndakagara mu room


mangu ndaiva kure nepfungwa
dzangu Zvichakadaro shamwari
yangu yeku America yakafona
"Boy"

"Hey stars kurisei?" ndakabva


ndaseka

"Ndakakuudza kuti siyana nezita iroro


but anyway im not fine. Uchiri
kurangarira musikana uya
wandaipenga naye?"
"Anenyasha right?"

"Yah akaroorwa nemukoma wangu"

"WTF!! Saka uchaita sei? "


"I don't know dude ndaedza kutaura
naye asi zvinotaridza kuti handilumi
anondiudza kuti haandidi but deep
down i know she loves me"

"Stars ndichakuudza chokwadi ini.


Chikanganwa nezvake. Aroorwa ne
brother yako chero kuchinzu mudiki
sei but respect her"
"I love her so much"

"Mumirire iye kana achikuda


achakuudza kwete zvako zvekungo
teverera bye ndanga ndichingoda
kunzwa kuti uri bhoo here"

Ndakabva ndakata foni yangu nei


Brian achitaura zvinhu zvakadaro.
Ndizvibate sei ini munhu ndichimuda.
Zvinoitavo here izvozvo?

**********

Makuseni ndakamuka ndichibuda


panze. Madzikoma angu aiva
akagara panze. I think vakamirira
nyama yekugocha. Ndakabva
ndaenda kwavari.Prince
Aingonyemwerera nonstop.

"Prince kwakanaka here?"


ndakamubvunza

"Heyy ndikare achingonyemwerera


ega hamenho mandlovu amupei"
"Heey ndine mukadzi wandinoda zve
ini saka ndorega kunyenwerera
here?"

Ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso.


Ndakatarisa mudenga kuti isabuda.
Zveshuwa Prince anomuda
Anenyasha. Ko ini?
"Uri kufungei Taffy?" Munya
akabvunza

"Hapana handisi kunzwa mushe"

"Ohk imwa mapiritsi" Munya akadaro


"Yoo ini nemapiritsi"

Vanhu vose vakandiseka


Zvichakadaro ndakaona Ane
achibuda ndakamutarisa
ndichinyemwerera. Pandakatarisa
Munya aiva akabata chirebvu
achingonyemwerera akatarisa Ane.
Ndichakwanisa here kurarama
pamusha pano ndichiona munhu
wandoda achidanana neumwe
murume. Pamwe ndofanirwa kubva
pamusha pano uye ndozvigamuchira
kuti haasi wangu. Ava mukadzi we
brother yangu

End of Chapter

sorry guys kaita kadora kunge ka


Taffy busy yacho kani
https://chat.whatsapp.com/Bteuskxx
dSyClNRIHoy0wp

*from chapter 1 pindai umu ȯǤȯ


Ǥ*

*Anenyasha*
*Written by Makalulue*

*Edited by: Ellena*

*Chapter 8*
*Narrated*

VaZhou vaiva vakagara pamubhedha


vachingonyemwerera. Mai Sarah
vakabva vapinda
"Kwakanaka here baba?"

"Mwana wangu"

"Aitei mwana wenyu uye ndeupi


wacho?"
"Dzababa haa mwana wangu
ndamuona paanga ari pano kuti ari
kufara zvakanyanya zviri pachena
kuti kwa Zvayi vakamubata
zvakanaka"

"Taurai henyu baba akufanirwa kutipa


muzukuru"
"Kana iye achida zviri right asi
azviitira kuti zvinodiwa neumwe
munhu"

"Ohk baba regai ndinogadzira zvimwe


zvinhu" mai Sarah vakadaro
vachibuda
***************

Anenyasha aisuka ndiro mama Ethan


vakapinda

"Mambokadzi"
"Mhamha"

"Hauneti?"
"Aewa mhamha zvose zvandiri kuita
handidi kunyadzisa vabereki vangu"

"Wakavatodza mai vako nhai"

"Chero baba ndizvo zvavanogara


vachitaura"
"Hayi wakatodza mai vako shuwa
ngatinamatire kuti newevo usazofa
nenzira yakafa mai vako"

Anenyasha akavhunduka achitarisa


mama Ethan
"Hayi mwanangu usavhunduka ndiri
kutamba newe" mama Ethan
vakadaro vachibuda vachienda.
Anenyasha akasara achizvibvunza
nezvinhu zvaiva zvataurwa na mama
Ethan

*Anenyasha*
Ndakagara mu room mangu ndichiri
kufunga zvinhu zvataurwa na mama
Ethan. Vanga vachirevei nezvinhu
zvavataura. Mama Ethan vakura kuti
vangataura zvinhu zvakadaro

zvichakadaro foni yangu yakarira aiva


Ngoni . ndakadaira tikakurukura
achindibvunza kuri sei havandinetsi
blah blah Ngoni haadi neni shame.
Ndapedza Munya akapinda.
Ndakamutarisa ndichinyemwerera

"Mandlovu ndagarisa panze ndoda


kugeza ndirare"
"Ohk mvura ndanga ndatoisa mu tub"

"Ndinotenda Mandlovu wangu"

"Munya pane zvinhu zvandoda


kukuudza"
"Yes"

Ndakatarisa pasi ndichitya kuti


ndotangira papi kumuudza asi
ndofanirwa kumuudza.
"Zvayi hauna kumbobvira wakarara
neni?"

"Huhh!!"
"Shuwa Zvayi ndakakunyebera kuti
wakatora humhandara hwangu"

"Zvino kana ndisina kurara newe ropa


riya raiva rani?"

"Ndaiva kumwedzi pandakangofunga


nyaya ye sheet ndakaona uri iwo
mukana ruregerero Zvayi"

"Waizviitirei?"

"Ndaiva ndisingadi kuti humhandara


hwangu huende"
"Saka nei usina kundiudza?"

"Ndaikutya Zvayi"

"Ini newe takachata saka haufanirwi


kunditya. Kana pane chinhu
chausingafariri unofanirwa kundiudza
kwete kunyeba. Ndinoziva kuti
humhandara hwako hwakakosha sei
kwauri saka handaiita zvenharo kana
usati wava ready"

"Im sorry"
"Ndiani akakubatsira?"

"Hapana munhu akandibatsira ndaiva


ndiri ndega"

"Ndoziva kuti waiva usiri wega.


Ndiani?"

"Promise me kuti hauna


zvauchamuita ndikakuudza"

"I promise"
"Ndakabatsirwa na Tafadzwa"

Munyaradzi akaridza tsamwa achibva


afonera Tafadzwa kuti auye mu room.
Minutes later Tafadzwa akapinda
"Mukoma mandidana nd---"

Tafadzwa haana kupedza kutaura


akapihwa gwati rembama

"Wakudya ma drugs iwe?!"


Munyaradzi akabvunza nehasha
Tafadzwa akashamisika

"Mukoma handidyi ma drugs ini"

"Mandlovu andiudza zvose wakaisei


mudoro rawakandipa?"
"Ipiritsi rekurara mukoma"

"Tafadzwa wakatanga rinhi kuita


zvema drugs?"
"Aasi ma drugs mukoma raiva piritsi
rekurara"

"I know mose muchiri vadiki.


Tafadzwa wakamusiya nemakore
mashoma Anenyasha asi zvinhu
zvamakaita zvine hunjodzi. Kana aida
kuti umubatsire dai wakamubatsira
neimwe nzira kwete nema drugs. Dai
drug rako rakandituma kuti
ndikuvadze Anenyasha waizofara
here?"

"Im sorry" Tafadzwa akadaro

"Ukangopamha zve kuita zvinhu


zvakapusa kudai mpfana uchandiona
mushe"

"Handipamhi mukoma"

"Buda muno!!"
Tafadzwa akabuda ari short. Ini
ndaiva ndazvipeta pa corner ndaitya
chero kupfakanyika. Munyaradzi
akaswedera pandiri achindibata
maoko.

"Usanditya Ane kana usati wava


ready nekurasikirwa nehumhandara
hwako its fine hapana munhu
achakumanikidza tora nguva yako.
Uchandiudza kana wava ready"

Ndakabvuma nemusoro

"Utaure neni usanditya"


"Ndinotenda"

"You're welcome"

"Ndokumbirawo something"
"Yes"

Ndakabva ndamuudza everything


about nyaya yekudzidza

"Waifanirwa kundiudza kubva


pekutanga"
"Im sorry"

"Hanti unouziva mutemo? Wesi uri


Mambokadzi. Hazviiti kuti udzidze
hapana achabvuma zvinhu zvakadaro
"
"I know asi dziripo nzira dze kudzidza
ndisingaendi kuchikoro".

"Ndedzipi?"
"Ndichadzidza online"

"I risk iyi yauri kutaura asi


handingakwanisi kukunganisira
zvishuviro zvako dzidza hako asi uite
shuwa kuti hapana achakuona. Hausi
late here?"
"Aewa ndakato register"

"Hapana umwe munhu anofanirwa


kuziva nyaya iyi kunze kwangu na
Tafadzwa"

"Thank you"
"All the best"

Ndakafara ndichimuhaga

"I love you"


Ndakamutarisa kwenguva yakareba
ndaiva ndisingazivi kut
ndomupindura kuti kudii. Hamemho
chii chakaitika pandiri. Muromo
wangu wakayerekana wava
mumuromo make.

ndakavhunduka ndichisuduruka paari.


Naiyevo akaita zvimwe chete
"Uhhm ndakufanirwa kunogeza"
Munya akadaro achienda kunogeza.

Ndakasara ndichigara pa bed


ndichizvibata muromo
ndichinyemwerera. Uhhm chii chiri
kuitika pandiri? Kuti ndakumuda here
Munya? But paanga akandibata pane
zvinhu zvandanzwa mumuviri. But
muhombesa kwandiri maan
Munyaradzi. But age is just a number
ndinenge ndisina kutadza ndikapa
Munya mukana.

Vanhu vakuru ndivo vakandisharira


Munya. Vaiziva zvavaiita. Yes Munya
ndaiva ndisingamudi but now im
ready kuzama kumupa mukana
ndione kuti tichasvikepi.
"I love Munya. I love my husband"
ndakadaro ndichinyemwerera

ndofanirwa kumuudza but how nekuti


ndinomutya. Akabva abuda atopfeka
ma pyjama. Ndakasimuka achibva
apinda mumagumbezi. Neniwo
ndakapinda
"Mandlovu urare mushe"

"Newevo Zvayi urare mushe"

Pakamboita runyararo. Ini


ndaingoshishinika ndichitsvaga nzira
yekumuudza zvandiri kunzwa

"Zvayi"

"Hmm"
"Pane zvinhu zvandinoda kukuudza
asi ndinotya"

Munya akandiseka. Paaiseka


mazinyo ake akachena mukaka
ndaiita sendichafa kani. I think i love
this man. Ohh yes i love him.
"Ndakuudza Ane kuti usanditya. Ndiri
murume wako. Saka tichava tose
kwehupenyu hwedu hwose so there
is no need yekuti unditye. I
understand kuti ndiri muhombe
kwauri asi izvo hazvirevi kuti
unofanirwa kunditya Taura
ndakateerera"

Ndakazvivhara kumeso nemaoko


"I think i love you Munya. Im in love
you"

Munya akanyemwerera achibisa


maoko angu pandiri

"Ndokumbira unditarise upamhe


zvinhu zvawataura nekuti kana
wakazvivhara handinzwi chinhu ini"
Munya akadaro

"Munyaradzi Zvayi i love you so


much"

Akandiswededza paari
achindimbundira
"Ndinokuda zvakanyanya Mandlovu
ndinotenda nekundiudza a good
news"

"Neniwo ndinotenda nekundipa rudo


rwako"

Takakisana kwenguva yakareba


*******************

Makuseni ndakamuka na 6
ndichinogeza. Mufaro waiva
wakazara kumeso kwangu.
Ndakaenda kunogeza ndichibva
ndaenda ku kitchen. Ndakawana
Tafadzwa akabata ma ice dama
rakazvimba . i think ndipo paarohwa
na Munyaradzi.ndakaita basa rangu
sendisingamuoni zvangu

"Morning haiurayi"

"Morning"
"Wafara ka kuti mukoma andirova?"

"Handisirini ndati akurove Tafadzwa"

"Iwe pawamuudza zvose wanga


uchifunga kuti achaita sei?"
"Zvava zvako izvo"

"Ndiwe wakandikumbira kuti


ndikubatsire Anenyasha"
"Saka unoda kuti ndiite sei?"

"Tafadzwa ndokumbira usiyane neni


please"

"Ohk"
Zvichakadaro mai vake vakapinda

"Mambokadzi, Tafadzwa"

"Mamuka sei mhamha?"

"Ndamuka mwanangu. Hezvo


Tafadzwa waitwa sei?"

"Ayy mhanha inyaya dzevarume idzi


siyanai nadzo" Tafadzwa akadaro.
Ndakamboda kuseka asi
ndakazvidzora

"Zvinhu zvevarume zvisandiuraira


mwana wangu please"
"Ayy ayy mhamha sarai" Tafadzwa
akadaro achibuda achienda.

"Mwana uyu akatodza baba vake haa


ndozvavaiveri vasati vas--"
Mhamha havana kuzopedza kutaura
vakazvibata muromo.

"Mambokadzi apa handina kuzvara


shame" mhamha vakadaro

Ndakaseka asi ndakasara ndine


mibvunzo hobho. Evoo mwana wa
Obert siyana nenyaya dzisingakudi

*TAFADZWA*

Ndaiva ndakagara mu room mangu


mushandi akapinda achindiudza kuti
Munya ari kundidana. Ndakabva
ndabuda ndichienda kwaari
"Ehe ndakudana ndoda rubatsiro
rwako"

"Rubatsiro rwei?"

"Anenyasha andiudza kuti anoda


kudzidza saka ati achadzidza online
saka hapana anofanirwa kuziva
nezvenyaya iyi"
"Rubatsiro rwauri kuda kwandiri
nderwei?"

"Ini handingakwanisi kuti ndikwire


ndichidzika ndichinotorera
Anenyasha ma books saka iwe
uchamubatsira ini ndinenge ndiri
busy"
"Pedzezvo wondirova futi"

"Unoda ndikupamhe zve?"

"Sorry broe izvi handikwanisi kuzviita


zvauri kundikumbira"
"What?"

"Broe mukadzi wako anodherera uyu


handingakwanisi kumubatsira ini"
"Tafadzwa ndiri kukutuma hanti?
Saka uchazviita" Zvichakadaro
Anenyasha akapinda

"There is no need for that shamwari


yangu ichandibatsira"
"Aewa naiyevo anenge ari busy
nezvinhu zvake Tafadzwa
achakubatsita" Munyaradzi akadaro
achibuda

"Why?" Ndakadaro ndakamutarisa.

"Why chii?"
"Nxaa" ndakadaro ndichibuda
ndichienda ku dining room.

Ndakawana chikafu chatogadzirwa .


ndakagara pasi tichidya. Baba
ndakanzwa vachitura befu zvekuda
kutaura. Ohh i wonder vanoda kuti
kudii Mwari wangu
"Pane zvinhu zvandinoda kusimukira
pano" baba vakadaro

"Chii baba?" Munyaradzi akabvunza


"Ethan na Tafadzwa vava kufanirwa
kuroora" baba vakadaro.

Ndakatarisa Ethan ainyemwerera.


Ndofunga naiyevo akuda kuroora

"Mandinzwa here zvandataura?" Baba


vakabvunza
"Ehe baba takunzwa ini
ndobvumirana nemwi ndicharoora"
ndakadaro

"Good mucharoora mwedzi unouya


vana mai venyu ndivo
vachakusharirai vakadzi vekuroora"
"Zvakanaka baba" ndakadaro

ndakaona Anenyasha achinditarisa.


Ndakabva ndasunga huso. Musikana
uyu anodherera maan handichadi kuti
andijairire.ndapedza kudya ndakatora
ma key emota ndoda kumbofurwa
nemhepo

*Mai Sarah*

Ndaiva ndakagara mu room mangu


foni yakarira aiva mai Ethan
"Uri kudei?" Ndakabvunza

"Usataura neni kunge uri kudonha


mumuti"

"Uri kudei kwandiri Doreen?"


"Panzvimbo iya iya
yatinombosangana ndokuda ikoko
manje pane nyaya yandoda kutaura
newe"

"Haungangofoni wongoti ndiuye


manje hanti unoziva kuti ndogara
nemurume. Ndichakuona masikati"
ndakadaro ndichikata foni
shit mukadzi uyu ari kumbodeyi
kwandiri. Mushavi haapo saka better
ndiende manje ndikurumidze
kudzoka. Ndakamufonera
ndichimuudza kuti ndakubuda.

Ndakatora bag rangu ndichibuda


ndisina kumbochinja ndichibva
ndaenda. Ndakamuwana atosvika
"Ndaziva hangu kuti uchauya
uchimhanya"

"Doreen uri kudei?"

"Rubatsiro rwako"
"Rwei?"

"Munyaradzi anofanirwa kufa"

Ndakavhunduka ndichimutarisa
"What? Handingaiti zvinhu zvakadaro
ini!!!!"

"Munyaradzi akufanirwa kufa mwana


wangu ndiye achaita mambo"
"Ethan haafi akaita mambo zviise
mumusoro mako izvo"

"Anotadza nei kuita mambo. Mira


uone iwe. Wangu mwana ndiye
achaita mambo vanhu vachida
vasingadi. Munyaradzi anofanirwa
kufa Ethan ari kuroora mwedzi
unouya agochata."

"What?"

"Wandinzwa saka tofanirwa kuita


plan yekuuraya Munyaradzi"
"Usandipinza ipapo ini handingaiti
zvinhu zvakadaro newevo hauzviiti.
Hapana munhu achauraya murume
wemwana wangu"

"Murume we mwana wako? Iwe


Chenge usada kundinzwa wanzwa?
Mai vake hauna kuvauraya here
uchida kusara wega pana Mushavi?"
Nxaa maan mukadzi uyu anondijairira

"Ndakakuudza kangani kuti usataura


nezvenyaya iyi?"
Munyaradzi tichamuuraya shamwari
yangu uchida usingadi. Chimwe
chinhu Ethan acharoora mwana
wako"

"Mwana wangu?" Ndakadaro


ndichivhura maziso

"Yea Paida ndiye acharoorwa na


Ethan"

"Hazviitiki izvo"

"Zvichaitika mai Sarah"


"And mangwana ndoda kuti
undifonere uchindiudza kuti
wakunotora mushonga uya
watakanotora wakauraya mai va
Anenyasha uya mushonga haupedzi
nguva ka" mama Ethan vakadaro
vachisimuka vachienda

Ndakasara ndakangoti tuzu


ndisingazivi kuti ndiite sei
*Anenyasha*

Hapana chinhu chinofadza sekuti


ndakuzoita zvechikoro chero hazvo
ndichiita part time asi hazvifanani
nekugara

Ma message ndiri kuaona anobva ku


shamwari dzangu dzichindibvunza
kuti ndouya rinhi kuchikoro. Havazivi
kuti ndatova mukadzi wemunhu

Chinhu chakundinetsa manje


ndasenderwa message yekuti
ndofanirwa kuuya kuzotora ma book
angu kuchikoro asi ndofanirwa
kutanga nda signer shuu ndichaita
sei nekuti kuti ubude pano inyaya
hombe. Zvichakadaro Munya
akapinda. Ndakasimuka
ndichimutarisa. Akaswedera pandiri
achindikisa
"Mandlovu"

"Zvayi"

"Why uchiita sekunge pane zvinhu


zviri kukunetsa?"
"Ndaita problem handizivi kuti
ndichaita sei?"

"I problem yeyi manje?"

"Kuchikoro vandisendera email kuti


ndofanirwa kuzotora mabhuku angu"

"Ahh Tafadzwa aripo wani?"

"Ndiyo problem manje nekuti vati


ndofanirwa kuzvitorera ini"
"Haaa chii chakakosha pamabhuku
kuti vati uuye uzvitorere pachako?"

"Handiziviwo"

Yah pakaipa asi ndichaedza kutaura


na nababa ndinzwe kuti vachati kudii"
"Uchati kudii kuna baba?"

"Ndichati unoda kuenda kumba


kwenyu kwemazuva"

"Aewa usanyebera vabereki vako


better tibve tarega zvechikoro izvi
zvingazokonzeresa"
"Hazviiti Ane unofanirwa kuzadzikisa
chishuviro chako ugare une mufaro"

"Ndinotenda Zvayi"
"You're welcome hande kuna baba"

"Now?"

"Ko zvekusayina zviriko rinhi"?

"Mangwana"
"Saka nei uchishamisika kana ndichiti
hande?" Munya akadaro achindibata
ruoko tichienda kumuzinda kwa baba.
Takasvika tichigara pasi
tichivamhorosa

"Zvayi kwakanaka kubva mauya na


Mambokadzi?"
"Baba taita problem pano"

"Ndeyeyi?"

"Ane ava nemazuva achirota hope


dzinotyisa saka ndanga ndati
amboenda kumba kwavo aone baba
vake" ndakamutarisa Munyaradzi
ndichishamisika. Shame ndaita kuti
umwe mwana anyebe nekuda
kwangu

"Munyaradzi nekuda kwe hope


chete?"
"Aewa baba ndanga ndangoti aende
hake kwemazuva maviri anoona
vabereki vake agarisa baba
asingavaoni"

"Taura uchidaro ka kwete hope dzauri


kundiudza. Ngaaende hake asi
asajaira kugara achienda kumba
kwavo"
"Ehoyi baba" Munyaradzi akadaro
tichisimuka tichienda mu room medu.
Patakangopinda ndakamuhaga

"Thank you thank you you're the best"

"You're welcome hande mu room ma


Tafadzwa"
I wonder takunodii zve. Tajabuda
tichienda mu room make.
Takamuwana akarara. Paakationa
akamuka nekukurumidza

"Broe"

"Kuchikoro kwa Anenyasha hanzi


auye kuzotora mabhuku ake saka
kunodiwa iye pachake kuti asayine.
Kuna baba ndati Ane ari kuenda
kumba kwavo saka muchasimuka
nhasi manheru kuitira mangwana
musawana kune line uye
mugokurumidza kudzoka baba vasati
vasvora"

Ndakavhunduka ndichitarisa Munya


"Okay" Tafadzwa akadaro

"Chigadziri muri kuenda now"

"Okay"

Takabva tabuda tichienda muroom


medu ndakunorongedza but why
ndichifanirwa kuendeswa na
Tafadzwa?

*Narrated*

Mai Sarah vakasvika kumba kwavo.


Vaingofunga nezvenyaya ya mama
Etham. Havana choice vanofanirwa
kuzviita nekuti Mama Ethan varikuva
blackmailer . vakadarika Paida ku
kitchen vachienda mu room mavo.
Paida akavatevera

"Mhamha muri right?"

"Ehe ndiri right mwanangu"


"Asi munenge musiri right"

"Ndambotemwa nemusoro asi ndava


right manje"

"Baba vasvika vachikubvunzai manga


musingadairi foni yenyu?"
"Baba vako vauya? Vari kupi manje?"

"Vatora zvinhu zvebasa vachibva


vaenda vati kune basa riri kuvada ku
masvingo saka vachauya mangwana"
"Thank God"

"Thank God yeyi manje?"

"Ayy maan ndiri kuti marwadzo chete


baba vako vaenda ndisina kuvaona"
mai Sarah vakadaro vachipinda mu
room mavo vachitora foni
vachifonera Zhou
"Baba"

"Mai vevana ko wanga waenda kupi?"

"Paida andiudza kuti masvika ndanga


ndaenda kumusangano wemadzimai
handina kuzokuudzai nekuti ndabuda
ndichimhanya ndanga ndichiti
ndichakuudzai pandidzoka"

"Ohk mukadzi wangu ndaenda ini


ndichakuona mangwana manheru"
"Okay baba mafamba sei?"

"Zvakanaka mukadzi now ndiri busy


tichataura" Zhou vakadaro
vachionekana.

Mai Sarah vakatora foni vachifonera


Mama Ethan
"Ndovimba kuti uchandiudza zvinhu
zvine musoro"

"Makuseni seni tichamukira ku n'anga


iya. Tofanirwa kukurumidza kudzoka
murume wangu asati auya"

"Wakutaura manje" mama Ethan


vakadaro vachiseka vachikata foni
*Anenyasha*

I don't know why ndichifanirwa


kuperekedzwa na Tafadzwa kuenda
ku Harare. Ndatopedza kugadzira
zvinhu zvangu takaenda mu room ma
Tafadzwa takamuwana atova ready.
"Mufambe mushe. Oyi mari yekuno
booker nekutenga zvimwe zvinhu"
Munyaradzi akadaro achindipa mari

Ndakatenda tichibva taenda kumota.


Apa tiri kushandisa mota yake.
Ndakapinda mumota ndichigara
kumberi. Tafadzwa akaseka
"Uri kusekei manje?"

"Murume anotivimba haa"

"Yes anofanirwa kuti vimba iwe uri


munin'ina wake anoziva kuti hapana
chichaitika,"
"Shuwa here?"

"Yes ko iwe unoda kuitei?"

"Yah taura hako hanti tingasauraiwa


netsvimbo" Tafadzwa akadaro
achiseka
"Usandiita benzi Tafadzwa wanzwa?"

"Iko ndiani akarwadzisa munhu


waanoda. Mambokadzi chaiye kuita
zvinhu zvakapusa ahh ndingaseka
zve ini"
"Mambokadzi akavimbika zvagara"

"Small mambokadzi hehede"


Tafadzwa akadaro achiseka
achimutsa mota tichienda ku Harare.
Takasvika ku Harare Tafadzwa
akaenda kune rimwe hotera raiva
pedo ne U.Z . takaenda kuno booker
ma room maviri asi zvakanzi
kwangosara 1 room chete mamwe
akazara
"Saka tichaita sei?" Ndakabvunza
ndakamutarisa

"Ticharara tose" Tafadzwa akadaro.


Ndakashamisika ndichimutarisa

"Ini newe tirare mu room rimwe chete?


Unopenga Tafadzwa"
"Saka unoda tiite sei?"

"Handizivi Tafadzwa asi


hatingashandisi room rimwe chete
ahh"
"Okay fine ndine musikana muno mu
Harare ndichanorara kwaari"

"What? Unopenga hauna kuvinga


vasikana pano. Ukangoenda chete
ndomufonera Munya ndichimuudza"

"Saka unoda kuti ndiite sei?"


Tafadzwa akabvunza achiseka
"Ucharara pasofa ngati bhuke 1 room
iyoyo"

"Ndiwe ucharara pasofa hanti


ndaperekedza iwe here"
"Ahh handirari pasofa Ini" ndakadaro
tichino booker room racho raiva
rasara

end of chapter
https://chat.whatsapp.com/Bteuskxx
dSyClNRIHoy0wp

*from chapter 1 pindai umu ȯǤȯ


Ǥ*
*Anenyasha*

*Written by Makalulue*

*Chapter 9*
.

*Tafadzwa*

Haa hapana plan shame apa


tichatorara mu 1 room , takapinda
mukati achibva aenda kunogeza.
Akadzoka achikwira pa bed. Ini
handingarari pasofa kuchitonhora
kudai no ways.. Ndakamutarisa
achipinda mumagumbezi.

"Uri kuitei?"

"Ndiri kurara pa bed yabhukwa


nemari yemurume wangu"
"Then kana zvakadaro ndichanorara
somewhere ndouya mangwana kuti
ndichadzoka nguvai ndini ndinoziva"

"Unopenga"

"Chibva pamubhedha hanti ini ndauya


kuzobatsira iwe her? Saka
ndofanirwa kuva comfortable"

"Saka unoda kuti ini ndirare pasofa?"

"Hanenho the choice is yours. Kana


usingadi kurara neni pamubhedha
ucharara pasofa Mambokadzi"
Akwnditarisa kwenguva diki achibva
atora gumbezi achinorara pasofa.

"That's mh girl" ndakadaro


ndichikwira pa bed ndichipinda
mumagumbezi.

ndakatora foni yangu ndichipinda pa


facebook, whatsapp, instagram
ndichitaura ne shamwari dzangu
ndichidziudza kuti ndiri around
Harare. Vakandikumbira kuti ndiuye
mangwana ku party vari ku celebrate
r birthday yerimwe boorangoma.
Takazobvumirana kuti toonana
mangwana

hayi kuri kutonhora maan hapana


munhu angarara pasofa
ndakasimuka ndichienda kuna
Anenyasha

"Ane "

"Chii Tafadzwa?"

"Kuri kutonhora ucharwara huya urare


pamubhedha"

"Ini newe tirare pamubhedha umwe


chete here? Zvinoita here izvozvo
Taffy?"

"Ane ko ini ndiri mhuka here.


Ndichakudya kana tikarara
pamubhedha umwe chete? Come
ohn hapana zvandichakuita inj.
Unonditora sei nhaiwe?" Ndakadaro
ndichimubata ruoko
ndichimusimudza

"Hapana zvandichakuita okay"

Akabvuma nemusoro tichibva taenda


pa bed achipinda mumagumbezi
"Anenyasha unofanirwa kuziva
something. Im not over you anymore.
Wakandiudza kuti unoda mukoma
wangu saka ndakukutora semukadzi
wamukoma wangu. I respect you
Anenyasha as maiguru vangu. Saka
hapana zvandichakuita"

"Are sure about that?"


"100% sure kana uchida tokwanisa
kuita ma friends"

"Friends" Ane akadaro


achindikwazisa

"Friends"
"Thank you Taffy nekundi understand
a"

"You're more than welcome"

"Pane zvinhu zvandoda kukubvunza


Taffy"

"Yes"

"Vana va Munyaradzi makamboedza


kuvatsvaga here?"
"Haa wakuziva nyaya dzose idzi?"

"Ndotadza nei hanti nenivo ndava


part of family"

"Yes takaedza asi yoo nowhere to be


found"
"Haa handifungi kuti maida kutsvaga
ini"

"Watotanga kuita humambokadzi


kwandiri" ndakadaro ndichiseka"

"Im serious Taffu ndokumbira


undibatsire kuvstsvaga"
Ndakamutarisa ndichishamisika

"Ndiri kumuona Munya nyaya yevana


inomurwadzisa. Maybe akavawana
angafara"

"Are you serious?"


"Im serious vana vemukoma wako
unenge usingabatsiri ini"

"I know ma buddies angu aya so i will


do it"

"Good boy"
"Saka tichaita sei?"

"Hapana imwe nzira kunze kwe social


media"

"Ohk ndichanzwa newe inj kuti


tichaita sei"
"Okay" Ane akadaro achidhonza
gumbezi achirara

*Mama Ethan*

Nhasi ndiro zuva pachamam* umwe.


Aewa handingabvumi kuti vana va
mai Munyaradzi ndivo vanogara
vachingoiswa kumusoro.
Handinganyarari ini sa Mamoyo.
Ndoziva kuti pakaita kuti Munya afe
Taffy ndiye anokwanisa kuita Mambo
saka ndofanirwa kusvibisa zita .
ndofanirwa kurwira mwana wangu
kusvika awana chigaro ichi.

Ndoda kuti vana vangu vafare


sevamwe vana. Kuma two husiku
ndakanyahwaira ndichibuda.
Ndakawana mai Sarah vatondimirira
nemota.
Pataiva tabvumirana kuti
tichasangana. Ahh atobatsira akauya
nemota hataikwanisa kufamba
netsoka husiku. Ndakaswedera
kwaari ndichimutarisa

"Saka wakamirirei hande ka"

Takapinda mumota akanditarisa


"Unoona zvinhu zvauri kundiitisa so.?"

"Hanti newevo ucha benefit(a)

" ndakuudza kuti usandipinza


munyaya dzako. Now ndatora mota
yemurume wangu ndichinoita
hunhubu. Munya akaroora mwana
wemurume wangu kana pakaitika
zvimwe pana Munya Anenyasha
acharwadziwa uye achiri mudiki
mwana uya kuti angaita shirikadzi"

"Ohh achiri mudiki kuita shirikadzi asi


hauna kuzviona pawakauraya mai
vake kuti achiri mudiki for kusiiwa na
mai vake"

mai Sarah vakaridza tsamwa


"Kusvika rinhi uchingondifungidza
zvinhu zvakadaro. Asi unokanganwa
kuti ndiwe wakamuuraya nekuti ini
ndaiva ndakuudza kuti usamuuraya
asi iwe ukazviita ndisingazivi"

"Ohhh saka uri kuti ndini


ndakamuuraya"
"Yes zvagara ndiwe dai
wakanditeerera pandakati
usamuuraya dai tisipo apa. Ndaneta
ini nezvinhu zvatiri kuita"

"Hapasisina kudzokera kumashure


sisi. Ndichaudza murume wako kuti
ndiwe wakauraya mukadzi wake"
"Muudze zve ko wakamiriei?"

Muchairi akamutsa mota tichienda ku


n'anga. Tofanirwa kuwana mushonga
chaiwo wakauraya mai Ane. Uya
unoshanda shame chero ma doctor
haambooni kuti aisirwa poison

*Paida*
Ko chii chiri kuitika pana mhamha?
Vangonyanyangarika just like that
nguva dzino here. Eyy hamenho ikoko.
Zvino ndichaawana kupi mapiritsi
zvandiri kutemwa nemusoro kudai.
Ndakatarisa panze mota yababa
haipo. Saka zvinoreva kuti vaenda
nemota yababa
Hazviiti kuti ndipinde mu room mavo
pasina mvumo yavo. Ndakaenda ku
kitchen ndichinochera mvura
ndichibva ndadzokera mu room
mangu. Ndakaedza kurara asi hope
dzairamba musoro uri kunditema
kanhi.

After some minutes ndakanzwa mota


ichidhuma. Ndakavanzwa vachipinda
mu room mavo. Ndakambomira kwe
20 minutes ndichibva ndanogogodza

"Ndiani?"

"Ndini mhamha"

"Ohk ndiri kuuya"


Vakavhura door maziso angu
aimhanya imba yose. Ndakaona
shangu dzavo dzakazara madhaka.
Vaatora kupi madhaka? Nzvimbo ino
haina madhaka maan. Vanga vaenda
kupi? Uye nei vaenda ikoko?

"Uri kudei husiku huno?"


"Mhamha ndafa nemusoro
ndokumbiravo mapiritsi "

"Wambosvika here pano?"

"Aewa ndiri kutanga kusvika manje?".


" okay sisi wakutanga rinhi musoro?"

"Nezuro manheru asi manje wava


wesi"

Vakandipa mapiritsi ndichibva


ndamwa mumba mavo
"Baba vako havapo saka ucharara
muno haungarari wega uchirwara"

"Okay" ndakadaro ndichipinda


mumagumbezi
"Wava kunzwa sei?"

"Ndichanzwa nekufamba kwe


kwenguva now ndichiri dizzy"

"Okay mwanangu ahh unoziva pane


munhy andinyeurira kuti Ethan na
Tafadzwa vanoroora mwedzi unouya"
"Heyy kwa Zvayi vanongogara
vachiroora"

"Ehe zvino mama Ethan vati munhu


ari right for Ethan ndiwe"

Haa mhamha handing--" ndakadaro


ndavhura maziso
"Chii? Asi haudi kuroorwa
kumuzinda?"

"Mhamha hapana munhu asingadi


kuroorwa kumuzinda asi
handingoroorwi nemunhu
wandasharirwa ini"

"Hazvisirizvo mwanangu. Ethan ndiye


ati mai vake vamutsvagire zvino ivo
vaona iwe uchiita pana Ethan"

"Handingaroorwi kwa Mambo ini"

"Nei mwanangu?"
"Munin'ina wangu akaroorwa ikoko
neniwo ndonoroorwa ikoko hazviiti"

"Hazvirevi chinhu izvo. Iwe dai


uchitofara kuti uchange
uchimuonesa kana akurasika. Chero
pane munhu anonushungurudza iwe
uchamudzivirira"

"Mhamha ndiri kurwara ndokumbira


kurara please" ndakadaro
ndichizvivhara negumbezi kumeso.
Hezvo chiiko na mhamha

*Anenyasha*

Ndakapepuka makuseni Tafadzwa


aiva akati kwati kwati neni. Jesus
mukomana uyu anorara chirudzii
kana akadai
"Tafadzwa"

"Hmmm"

"Ndisiye maan ndoda kumuka"


"Just one round Dineo"

Ndakapera nekuseka achibva


apepuja

"Chii?"
"Unoda round yeyi kuna Dineo?"

Akazvibata musoro

"Shiit!! Unoona nyaya dzekuteerera


vakadzi ndanga ndichifanirwa
kunorara kuna Dineo zvenharo"
"Hakuna zvakadaro. Haungati
wafambirwa zvimwr woita zvimwe"

Haa apa handina kurara zvakanaka


wanga uchisura husiku hwese uchiisa
gumba mumusoro mangu ayy ayy "

"Ndanga ndiri kuhope ka ndisingaoni


zvandanfa ndichiita" ndakadaro
ndichiseka

"Nhasi handirari newe ayy ayy


ndingapedzisira ndafa"

"Haiwavo tibvigwe uko" ndakadaro


ndichinogeza
ndapedza naiyevo akanogeza.
Tichibva tabuda tichienda ku campus.
Takasvika line yacho yakakurisa

"Yoo line yacho yakakurisa iyi"

Tafadzwa akaseka
"Iwe unofunga kuti kumba kwenyu
here kwachasvika uchiita madiro"

"Nxaa"

"Sara mumota ndinodzoka" Tafadzwa


akadaro achipinda mukati
after some minutes akabuda achiuya
kwandiri

"Ngatipinde"

"
Handina kumbobvunza zvakawanda.
Ndakamutevera. Ndakawana
mabhuku angu atogadzirwa ndaka
sayina tichibva tabuda tichienda
kumota

"Thank you nezvawandiitira"

"Uneni ka muchina muhombe"


"Takufanirwa kudzokera kumashure
sezvo takurumidza kupedza"

"Haa ane tisina kumboenda ku game


park kunoona mhuka. Unodziziva
here iwe mhuka wajaira vana tsuro
nagudo"
"Taffy please"

"Please yeyi ini ndoda kumboona


shamwari dzangu ndimbofara nekuti
ndikasvika kumba zvinopera"

"Taura hako neniwo ndimbofarawo


ndaneta nekungogara ndichikunikirai"
"Rest of your life" Taffy akadaro
achiseka

"Nxaa"

Takanotenga mbatya dzeku swimmer


sezvo aiva ati kana tabva kumuka
tichaenda kuno swimmer. Takaenda
kunoona mhuka taneta takaenda
kuno swimmer tichitora mifananidzo
tikafara . taneta takadzokera
kuhotera. Takasvika tichidya

"Ane"

"Hmm"
"Now tiri kuenda kune rimwe flat
kune birthday party ye shamwari
yangu"

"Ayy Taffy ndotya ini"

"Unotyei nekuti ndinenge ndiripo


hande maan urege kuita sa farm
julia" ndakaseka

"Unondijairira Tafadzwa iwe unenge


wava busy nana Dineo vako ini
ndinenge ndichiitei?"

"Unenge wakagara pasi uchimwa


doro"
Takabva tabuda tichienda.
Patakasvika umwe musikana
akamhanyira Taffy. Im sure ndiye
Dineo wacho

"Babe wauya" Dineo akadaro


vachihagana

"Hesi babe kuri sei?" Tafadzwa


akadaro. Ndakatarisa pa side nekuti
vaiva vakukisana.

takazoenda ku shamwari dzake aka


introducer tichibva tagara pamasofa.
Takatanga kumwa doro tikafara
tichiseka tichiita noise. Ndakaona
vakomana vachipanana something
Tafadzwa naiyevo akaitora.
Ndakaswedera pane umwe musikana
"Chii icho chavari kupanana avo?"

"Ipiritsi unorida here?"

Handina kumupindura ndakaenda


kuna Tafadzwa ndichimudhonzera pa
side. Akaedza kuviga piritsi racho
"Usaviga hako Tafadzwa. Munyaradzi
haana kukutsiura here nema drugs"

"Ndiri kuzvifadza Anenyasha"

"Doro harisi enough here kuzvifadza"


"Anenyasha please please okay"

Zvichakadaro ndakanzwa siren


yemapurisa ndakatarisa Tafadzwa

"Shit!!!"
"What's going on Tafadzwa?"

"Mapurisa!! Mapurisa!!"
Vanhu vakadaro vachida kutiza asi
mapurisa aiva atova mukati

Tafadzwa akandidhonzera paari ini


ndaiva ndkubvunda manje saka
ndosungirwa mahara
"Vatorei muvapinze mu defender"
mupurisa akadaro

ndakavhunduka ndichitarisa
Tafadzwa ndichimira kumashure
kwake

"Tafadzwa what's going on?"


"Relax relax ohk" Tafadzwa akadaro
achienda kumapurisa

"Sayijeni hapana zviri kuitika muno


tanga tichingomwa chete isu please
tokumbira mutisiye"
"Ma drugs aya idoro here?" Mupurisa
akabvunza

"Ohk fine ndobvuma tiri wrong asi


musikana uyu musiyeyi please
haazivi chinhu nezvema drugs"

"Haana kumwa doro here?"


"Amwa asi ma drugs haana
kumbobvira akaaguma"

Apo ndaiva ndakudedera ndaiva


ndakudedera nekubvunda shuwa
baba vakazvinzwa vachati kudii. Ko
Munya. Shame apa anyeba
kuvabereki vake achida kuti
ndizadzikise zvishuviro zvangu asi
ini ndozvandinomuita izvi.
mapurisa akatitora . patakabuda
dhuma dhuma nevanhu vema media.
Ndakatarisa naiyevo akanditarisa.
Ohh no ndiko kupera kwangu ka uku.

"Tanzwa kuti mu flat iri muri kuitwa


zvema drugs?" Journalists
rakabvunza mupurisa.
Apa ma camera aiva akatarisa kwatiri.
Ndakaedza kuhwanda asi
zvakashaya basa. Ndatopinda muna
taisirevi hapana zvandingaita

"Yah ichokwadi vana ava tavawana


vachidya man drugs nedoro"
mupurisa akadaro vachititora
vachitipinza mumota vachinotivharira
ku cell. Vasikana vakavharirwa vega
vakomana vega. Ndaiva ndakazvipeta
pa corner ndisingazivi ndiite sei.

ma cell edu akananga neevakomana


apa musikana anonzi Dineo agoti
kubhowa shuu arikungodanidzira

"Tafadzwa please do something babe


we can't sleep here"
"Dineo please calm down ayy"
Tafadzwa akadaro achiswedera pa
cell yedu

"Ane ndokumbira uswedere pano"

"Uri kudei kwandiri Tafadzwa?"


Ndakabvunza ndichiswedera paari
"Im sorry Ane"

"Tafadzwa wandiudza kuti kuchange


kune doro chete"

"Im sorry ndanga ndisingazivi ini kuti


ma drugs achange aripo"

"Asi shamwari dzako unodziziva


dzinosvuta ma drugs?"

"Ndanga ndadhakwa ini ndangosvuta


ndadhakwa handisvuti ma drugs"
"Saka iwe everytime ukadhakwa
unosvuta ma drugs?"

"Hazvisirizvo Ane"
"Saka tichaita sei?"

"Mafoni edu vachatipa mamgwana


ndipo pandichakwanisa kufonera
munhu achauya kuzotibudisa muno"

"Zvobatsirei izvo kumbav vakutoziva


nyaya yose. Tafadzwa unoona
wandipinza munyaya dzako"
"I'm sorry Ane asi kumba havanzoona
Tv"

"Hee unopenga chete iwe. Kumba


kwedu vachaona vobva vanoudza
vabereki vako"

Tafadzwa akazvipurudzira musoro


"Unoona zvawandiita Tafadzwa?"

"Im sorry Ane"

Ndakaridza tsamwa ndichinogara


pasi
*Munyaradzi*

Vana ava vari kupi ko? Kana


vasingadairi ma calls avo vanoti
ndiite sei manje ini. Ndikare
ndichivafonera asi vose havadairi"
"Munya kwakanaka?" Ticha
akabvunza

"Eish ndine problem pano boy,


ndikare ndichiedza kufonera Ane na
Taffy asi havadairi ma calls angu"

"Fonera vatezvara or ambuya vako


ka"
"Eish ndeimwe nyaya manje iyo"

"Yeyi?"

"Ndanyeba Tafadzwa na Anenyasha


havako kumba kwana Ane. Vari ku
Harare"
"What?" Ticha akavhunduka

Ndakabva ndamuudza nyaya yose

"Handichazivi manje
zvavasingachsdairi ma calls angu"
"Broe unomuda mwana uyu kubva
wamyeba kudai"

"Zvakanyanya boy. Ane ndomuda


kwete zvekufungidzira asi handizvi
believe kuti ndanyeba kuna baba"
"Nhema dzekubatsira umwe wako
hachisi chivi broe . don't worru
vachauya pamwe kutaura kudai vari
munzira. Iwe wamubatsira kuti
uzadzikise zvishuviro zvake saka
hauna chawatadza"

"Asi baba vakazvinzwa vachati kudii


uye handifungi kuti
vangazvigamuchira?"
"Havambozvinzwi iwe usanyanya
kunetseka vanouya chete"

"Yah uri kutaura chokwadi"


ndakadaro tichienderera mberi
nezvataiita. Zvichakadaro mushandi
akasvika achitidana ku dining.
Takaenda tikagara pasi tichitanga
kudya
tichiri kudya kudaro umwe mushandi
akauya achizevezera mama Ethan

"What?" Mainini vakadaro

Hamemho chii chiri kuitika asi nyaya


yacho inoratidza kuti ihombe
"Chii mainini?" Ndakabvunza

"Tv"

"Yaitei Tv?" Baba vakabvunza


"Ndokumbira mubatidze Tv
nekukurumidza pane zvinhu
zvatinofanirwa kuona"

Ticha akamhanya achibatidza Tv.


Zvandakaona aiva mashura chaiwo.
Ndakanzwa sendinorota
Anenyasha na Tafadzwa pa TV . chii
chiri kuitika? Vari kutsvagei pa TV ?
Takatarisana na Ticha.
*vechidiki havachisina basa
nechikoro vakazvivaidza nema drugs.
Pawanikwa vana vechidiki vanga
vachizvifadza ne doro pamwe chete
nema drugs izvi zvinoratidza kuti
nyika yedu iri kupera*

Ndakanzwa ndichipindwa nechando.


Shitt!!! Nei Ane andidaro? Ko hanti
vanga vafambira zvechikoro here? Ko
nei vazofunga kuita zvinhu zvakaora
kudai. Ndakaona munhu wese
achinditarisa.

"Hezvo ndi Tafadzwa na Mambokadzi


ka ava? Vari kudei ku Harare?" Mama
Ethan vakabvunza.

Ndakapererwa nekuti ndaiva


ndisingazivi ndoti kudii
"Mambokadzi haana kuenda kumba
kwavo here? Ku Harare ari kudei
nekuti zvose izvi hanzi zvikuitika ku
Harare"

"Inini i think tinofanirwa


kunovabuditsa kujeri zvimwe
tozozvitaura tavabuditsa" Ticha
akadaro
"Ichokwadi baba ngatitangei
tavabuditsa tozotaura tiri pamwe
chete" Ethan akadaro

"Munyaradzi wati kudii kwandiri


nezuro?"

"Im sorry baba nekukunyeberai"


Vanhu vose vakanditarisa
vachishamisika

"Waitei Munyaradzi?" Mhamha


vakabvunza

ndakavaudza nyaya yose. Ndakaona


baba vachichinja kumeso
"Chikoro chekupenga Munyaradzi!!!
Ndizvo zvandakakusharira here kuti
uite Mambo? Ndiwe unotanga
kuputsa mirairo. Hauzivi here kuti
mukadzi haaendi kuchikoro kunyanya
Mambokadzi!!! Wanga uchifungei
Munyaradzi?!!!"

"Im sorry father"


"Wandirwadzisa Munyaradzi.
Ungabvumira vana kuto vanoita
zvinhu zvakadai. Zvinhu zvawaita
wadzikisa chimiro chemhuri ino.
Mwana wa Mambo nemukadzi wa
Mambo vawanikwa vachisvuta ma
drugs. Zvine chiremera here
izvozvo?" Baba vakadaro nehasha
nyaya yema drugs ndiyo
yakandipedza simba. Shuwa
Tafadzwa na Ane vanondiitei?
Ndavabvumira kuti vaende nekuti
ndinova truster asi hona manje

"Baba kupopota hakuna zvabotsira


vana vanofanirwa kubatsirwa" mama
vakadaro
Baba vakaridza tsamwa vachisimuka

*Zvayi" ndakadaro ndichivatevera


kumashure

"Ndokudai pano muri vatatu!"


"Baba ndokumbira mundinz--"

"Ndati muri vatatu panp mangwana!!!"

Ndakabuda ndichienda mu room


mangu ndakasvika ndichizvikandira
pa bed. Ma drugs? Saka all along
Anenyasha aisvuta ma drugs. Yah
that's why baba vasingadi kuti
vasikana vadzidze nekuti vanoziva
kuti unenge uchitambisa mari

Anenyasha akandikumbira zvakanaka


kuti anoda kupedzisa zvidzidzo zvake.
Now i see hapana zvidzidzo zvaanga
achida kupedzisa. Anga akufunga
zvinhu zvavari kuita kuchikoro.

Nei Anenyasha adzikisa chimiro


changu? Handina kumbozvifunga
kuti ndicharoora munhu anosvuta ma
drugs. Mambokadzi? Ma drugs? Shuu
doro ndandichanzwisisa asi ma
drugs. Zvichakadaro Ticha akapinda

"Hazvibatsiri zvauri kuita tinofanirwa


kunovabuditsa"

"Ndichavatarisa sei?"
"I know zvinhu zvose izvi hazvisi
nyore asi hapana umwe
angavabuditsa kunze kwedu"

"Handiendiko ini"
"Ndiwe unotoenda hanti ndiwe
wazvitanga? Mangwana makuseni tiri
kumukirako" Ticha akadaro achibuda
achienda

*Paida*

Handizivi kuti ndiani ati tibatidze TV.


Baba vari kuita sedzisimo nezvinhu
zvaona pa TV
"Paida waiziva here kuti Anenyasha
anosvuta ma drugs?"

"Hayi baba Anenyasha haasvuti ma


drugs pamwe paita misundetanding
chete"
"Neniwo handifungi kuti Anenyasha
anosvuta ma drugs" mhamha
vakadaro

Zvichakadaro Ngoni akapinda

"Mati Ane aitei?"


"Ane asungwa?" Ndakadaro

"What? Asungwa kupi asungirwei?"


ngoni akabvubza achitarisa TV sezvo
news dzisati dzapera akavhunduka
nezvaakaona

",Anenyasha anga achitsvagei ku


Harare ne munin'ina wa Mambo?"
Baba vakabvunza
"Neniwo zvinondishamisa Anenyasha
aenda ku Harare isu tisingazivi"
mhamha vakadaro

"Paida, Ngoni" baba vakadaro


"Haana zvaandiudza ini Ane* Ngoni
akadaro

" neniwo haana zvaandiudza"


ndakadaro.

Mumba makamboita runyararo.

"Tinofanirwa kunomubuditsa mujeri.


Haangagari mujeri"
"Isiireyi kwaakaroorwa nyaya iyu.
Anenyasha haasisiri mwana wepano"
mhamha vakadaro

"Mwana andinyadzisa mudunhu uyu.


Chii chichaitika manje?" Baba
vakadaro
end of chapter

https://chat.whatsapp.com/GdHrz7
Wozt1LxgvKqg80zV

*from chapter 1 pindai umu EǥEǥ


Eǥ*
*Anenyasha*

*written by: Makalulue*

*Edited by: Ellena*


*Chapter 10*

*Anenyasha*

Handisati ndamborara zvinorwadza


kudai. Ndarara ndakafuga gumbezi
rimwe chete apa idiki. Ndanzwa
nechando wee ndikuita kubvunda
chaiko. Tafadzwa ndiri kumuona
akatidongorera.

"Ane huya utore t.shirt yangu


ucharwara please"

"Zvakangofanana nezvawandiita
Tafadzwa ndisiye ndirware"
"Please Ane"

"Siyana neni Tafadzwa"

Kumba ndoziva kuti vakutoziva nyaya


yose. Shuwa baba ndichavatarisirwa
nani. Ko Munya ohh God. Minutes
later takauya kuzofurwa ndakasara
padiki kuzviitira wiwi pandakaona
Munya na Tichaona. Pavakationa
vakauya kwatiri.

"Handei" Ticha akadaro

Takananga kumota ini pandaida


kugara kumashure Ticha akanditarisa
"Mambokadzi garai mberi"

Yes im scared but i dont have a


choice. Munya iye aiva akanyarara
hake kunge asipo. Ndakagara mberi
ndikatarisa Munyaradzi. Haa huso
hwaiva husingajairiki wee
"Zvayi" ndakadaro ndichiedza
kumubata akabisa ruoko rwangu
paari chinyararire achimutsa mota
yakananga kuhotera.
Takasvika ku hotera Tafadzwa ndiye
akapinda achitora zvinhu zvedu
achidzoka. Munya akamutarisa
achibuda mumota achienda kwaari

"Hauoni here kuti tanonoka iwe uri


kufamba zvishoma kunge mukadzi
ane mimba" Munya akadaro
achimurova nembama achiita
zvekumusundira mumota
achinoroverera pamota achikuvara.
Ndaingotarisa Taffy nepa window.
Ndiri kuita kurohwa nehana handizivi
chii chichaitika kana tasvika kumba

"Munya siya zvauri kuita maan" Ticha


akadaro
Munya akapinda mumota achiimutsa.
Yaiita kubhururuka chaiko. Aewa zve
nhasi tichabheurwa nemota ka.

"Hayi broe ndokumbira kuchaira ini"


Ticha akadaro

Munya haana kumupindura asi


akatowedzera speed.
"Munyaradzi maan!!!!" Ticha akadaro
achikwidza izwi.

Munya akamisa mota achiburuka


achinogara kumashure. Ticha akauya
achigara kumberi achinditarisa
"Endai munogara kumashure
Mambokadzi" Ticha akadaro

"Hayi hayi Ticha mutsa mota tiende


maan" Munya akadaro

Ticha akamutsa mota. After 2 hours


taiva tatova mu town yekwedu. Ticha
akamisa mota achinotenga chikafu.
Ndakatanga kurohwa nehana manje
zvatakusvika kumba nekuda
kwezvinhu zvataiva taita.

Vanhu vachanditarisa sei pamuzinda.


Asi izvo handina basa nazvo baba
vangu vachati kudii. Pazvinhu zvose
dai havo vakandirova or kundituka
kwete kundinyarira aewa i can't
survive hangu ipapo manje.
"Mambokadzi chikafu idya im sure
mune nzara" Ticha akadaro

Ndakatarisa Munya ndikaona


achiratidza kundisema chaiko

"Ndakaguta" ndakadaro apa ndine


nzara shame ndaguma makuseni
kudya tisati taenda ku campus asi
chikafu chacho hachingapindi wee.

Ticha akamutsa mota takuenda


kumba. Patakangosvika pagedhi
ndakasara padiki kuzviitira wiwi
ndichiona varume vakaungana.
Ndofunga mauto adamwa na Mambo.
Ndakaburuka mumota. Vanhu vose
vakanditarisa, saka vakutoziva nyaya
yose ka. Ndonyarirepiko ini
Ndakabhidhaira ndichipinda mumba.
Pandakangopinda mumba vana
mhamha vaiva vakagara nemamwe
madzimai. Pavakandiona maziso avo
akato njoo kwandiri. Moziva
ndikasafa nhasi ndichiuraiwa
nemaziso evanhu handichafi zve.
Chero step ndakaishaya. Ndakatarisa
pasi ndisingachazivi ndiite sei

"Mambokadzi hanzi kana wauya tiuye


newe kumuzinda" Mamoyo vakadaro
vachiswedera pandiri vachindibata
ruoko tichienda kunotongerwa nyaya.
Takawana makazara vanhu, maziso
angu akamhanya imba yose kusvika
anomira paiva na baba. Ndakanzwa
misodzi ichipisa kumeso.
Ndakatarisa mudenga Ndichiidzora
kuti isabuda.

Zvichakadaro Zvayi brothers


yakapinda. Mambo vakaswedera
pana Tafadzwa vachimutarisa
"Muri kubvepi?" mambo vakabvunza.
Takatarisana na Tafadzwa hapana
akapindura

"Ndiri kutaura newe Tafadzwa muri


kubvepi!!!?"

"Ku Harare baba"


"Kwanga kunei ku Harare kwacho?"

"Mukoma vandikumbira kuti


ndiperekedza Ane kunotora ma b--"

Vanhu vose vakamutarisa


"I mean Mambokadzi kunotora
mabhuku ake e kuchikoro"

Vanhu vakatarisa Munya

"Mabhuku eyi?" Mambo vakabvunza


"Ekudzidza"

"Haa mambokadzi achidzidza nyika


zvayava kupera shuwa" vanhu vaiita
yowe yowee. Gumede baba vepa
next door vakasimuka

"Mambo wangu"
Mambo vakagara pasi

"Ini nyaya iyi handifambidzani nayo


kana padiki zvapo saka ndichabvunza
kwauri Mambo mudiki. zvaitika sei
kuti mambo adzidze?"
"Mutemo unouziva mambo saka
wabvuma nei kuti Mambokadzi aite
zvechikoro vamwe vanova
mutungamiri wemauto vakadaro.
Munyaradzi haana kupindura
akangotarisa pasi

" Munyaradzi ndanzwa sekuti vari


kutaura newe"Mambo vakadaro.
Munyaradzi akadhonza chikoso
"Chekutanga ndichakumbira
ruregerero kwamuri vakuru vangu. Ini
Mambokadzi anga achindichemera
saka ndanga ndichingoda kuti
apedzise zvishuviro zvake. Ndinoziva
kuti ndaita zvisirizvo asi ndanga
ndichiti ndiri kufadza mukadzi wangu
kut--"
Munya haa a kuzopedza kutaura
Gumede akasimudza ruoko
"Saka vanhu vose vakauya kwauri
Mambo wangu vachiti vanoda
kuzadzikisa zvishuviro zvavo
unobvuma ka chero vachiputsa
mitemo?"

"Aewa" Munyaradzi akadaro

"Saka izvi wazviita sei? Zvinhu


zvaitwa nemukadzi wako
zvinonyadzisa isu vanhuwo zvavo
tiite sei?"

Ndakatarisa pasi apa baba


vaingonditarisa

"Mambokadzi tiudze kuti chii


chakaita ku Harare?" mama Ethan
vakabvunza.
Ndakadzora misodzi yangu yaida
kubuda

"Tinoda kuziva chokwadi hanti ndiwe


mutungamiri wedu mutsva
watakashara nekuti taimuvimba kuti
haamgozoputsi mitemo" Mamoyo
vakadaro

"Ndiregerereiwo " ndozvega


zvandakakwanisa kutaura

"Toda kuziva zvose. Zvinhu


zvatakaona pa Tv ichokwadi here?"
"Ndiregerereiwo asi pachokwadi ma
drugs handina kumboasvuta ini"

"Ko doro?" mama Ethan vakadaro


Ndakatarisa pasi . mai Munyaradzi i
can see she is very dissapointed on
us. Kubva zvatasvika havasati
vataura kana rimwe zvaro shoko
"Ko doro Mambokadzi?" Mamoyo
vakabvunza. Ndakavhara maziso
ndichitarisa mudenga

"Yes doro takamwa"


Vanhu vakaita yowe yowe vamwe
vachirova maoko

"Ndezvipi zvimwe zvamakaita?"


Mama Ethan vakabvunza

"Hapana zvimwe ndinokuvimbisai"


"Saka kana muchiti hamuna kusvuta
ma drugs mapurisa akaawana sei ma
drugs?" Mamoyo akabvunza

"Tafadzwa maakusvuta ma drugs?"


"Aewa" Tafadzwa akadaro

Zvichakadaro pakasvika mushandi


aiva akabata usb. Takatarisana na
Tafadzwa. Yakaiswa pa screen
pakabudikira ini na Tafadzwa
takarara pamubhedha umwe chete.
Takavhunduka tose. Kana ari sa
Munya handitauri akaita zvekusimuka
paaiva akagara.
Ndakatarisa baba na mama vaiva
vakatarisa pasi. Pakazobudikira
Tafadzwa paaiva akati kwati kwati
neni.. Pakabudikira zve tiri ku
swimming pool ndakapfeka
swimming costume

"Mashura" Gumede akadaro


Vakabva vatodzima nekukurumidza.
Ndakatarisa Tafadzwa ndichiita
kubvunda chaiko ndiani atiita zvinhu
zvakadaro?

"Aewa apa ndapererwa chaiko nhasi.


Mambokadzi wedu achiri kuda
kuenda kuchikoro achitevedzera
mafaro. Mambokadzi wedu akuita
Mambo wedu anyebe. Mambokadzi
wedu akurara ne munin'ina
wemurume wake. Mambokadzi wedu
akudya ma drugs" Mama Ethan
vakadaro

"Hapana zvataita isu kutaura


chokwadi mberi kwa m---" handina
kuzopedza kutaura ndaiva
ndakuchema
"Matinyadzisa kwa Zvayi imwi vana.
Chii chamatiitira ichi? Tafadzwa
hauzivi here kuti Munya mukoma
wako?" Mambo vakadaro

"Baba zveshuwa hapana zvataita ma


picture chete aya" Tafadzwa akadaro
"Zvinhu zvose zvabuda pachena"
mama Ethan vakadaro

"Zvinhu zvose zviri kuitwa


nemusikana idzidziso yevabereki
vake" Mamoyo. Vakadaro
"Aewa vabereki vangu havana zvavait
--"

"Dai ndiri iwe dai watovhara muromo


wako. Zveshuwa hauna kudzidziswa
mutemo iwe ndiri kutaura newevo uri
kutaura" Mamoyo vakadaro
"Tinofanirwa kuita something navo
vari vatatu" Gumede akadaro

"Isu hatingabvumi kutongwa nehure


rinodya ma drugs" mama Ethan
vakadaro
Ndakavhara maziso misodzi
ichiyerera i wish kuvaudza kuti
hazvisirizvo zvose zvavari kutaura. I
wish kuvaudza kuti ndichiri mhandara.
I didn't mean kusvibisa zita rekwa
Zvayi. Ndakatarisa Munya aiva
asingadi kunditarisa kana padiki
zvapo

"Zvayi hanti munoziva mutongo


unoitwa panyaya dzakadai?" Gumede
akadaro. Ndiye anobatsira Mambo
kutora ma decision panyaya dzakadai

"Ndinozviziva" Mambo vakadaro

"Munyaradzi tichatanga newe.


Ndakakuisa pachigaro nekuti
ndaikuvimba asi wazoputsa
chirangano nekuda kwemukadzi
wako anorara akatsamhira munin'ina
wako. Mukadzi anosvuta ma drugs.
Mukadzi anorara pamubhedha umwe
chete na bamunini vake. Watadza
chigaro ichi saka tofanirwa kuisa
umwe" Mambo vakadaro ndakaona
mhamha Ethan vachinyemwerera .
Vanhu vose vakavhunduka

"Adi Zvayi tose tinoita mamistakes.


Na Munya aita zvinongoitwa
nemunhu wese. Mistake imwe chete
mobva mamupa punishment yakadai"
Ticha akadaro

"Ichokwadi ichi Mambo" gumede


akadaro

"Hazviiti kuti mumutorere chigaro


Mambo wangu. Ane zvinhu
zvakawanda zvaakatiitira zvakanaka.
Saka nei mangofunga zvakaipa zvega
ko zvakanaka zvaakaita munoti kudii
nazvo?" Ticha akadaro

"Neniwo ndobvumirana na Ticha na


baba Gumede" Ethan akadaro
"Munoziva zvinhu zvaitwa nevana ava
zvatinyadzisa. Zvasvibisa dunhu
rinho. Mamwe matunhu ari kutiseka
ndanga ndichiverengerwa zvinhu
zvacho pafoni nemwana wangu
vanhu vari kuita kuseka. Hanzi
Mambo wedunhu rino anodhonzwa
nemhino nemukadzi wako. Nevanji
anosvuta ma drugs. Nevanji anorara
nemukadzi wemukoma wake"
Gumede akadaro
"Mwana wangu haarari nemukadzi
wemukoma wake maan!! Mwana
wangu haasvuti ma drugs!!!" Baba
vakadaro nehasha

Zhou tofanirwa kukupa mutongo


newevo" Gumede akadaro
Ndakaona mhamha vachitarisa baba
vachibva vagara pasi.

"Nyaya ya Mambokadzi inoda nguva


yekumbofunga nezvayo saka
tichambomira kwesvondo
tichionesana nezvayo" Gumede
akadaro.
"Tafadzwa hanti unoziva mutongo
wako panyaya iyi?" Mambo vakadaro.
Ndakaona Tafadzwa achiyeredza
misodzi.

Handitozivi mutongo weyi iwoyo.


Varume vashanu vakasimuka
vachibuda, vakadzoka umwe
neumwe akabata shamhu yake yaiva
yakareba umwe tsvimbo umwe
chamboko. ohh my God let's hope
hazvisirizvo zvandiri kufungira

"Tafadzwa haana zvaandiita?"


Ndakadaro ndichichema.
"Nyarara uko!!" Mambo vakadaro
nehasha

Ndakatarisa baba ndichibva


ndanyarara. Vakamusunda
Tafadzwa maoko nemakumbo
vachitanga kumurova vari vashanu.
Ndakatarisa reaction ya Mambo kui
vacharwadziwa semwana wavo asi
kwete vairatidza kuzvifarira zvinhu
zvaiitika. Imwi mukati mwana wavo
here Tafadzwa? I don't think so.
Hapana mubereki angafarira zvinhu
zvakadaro

*************

I punishment yakadii iyoyo yekuti


munhu anorohwa kusvika pakufenda.
Marohwego aaitwa kunge
vasingarovi munhu kunge vasingorovi
mwana wa Mambo. Kubva
zvaarohwa Tafadzwa haana kana
kumbochema or kuridza mhere. Anga
achingogomera chete.
Havambomusiyi shame as long
asingachemi. Tafadzwa akarohwa
kusvika aridza mhere ndipo
pavakazomusiya.

Chinhu chanda noticer mu family iyi.


Munya na Mambo ndivo vanoratidza
kufara nezvinhu zviri kuitwa pana
Taffy. Ini handingakwanisi
kushingirira mwana wangu
achirohwa kunge dhongi riri kuenda
kuchigayo. Mai Munya ndiri kuvaona
vari kurwadziwa kwete
zvekufungudzira, asi vangaita sei
havo? Hapana yekuita ndiwo ka
mutemo wedunhu.

Vapedza vakatora mabhuku angu


vakaapisa. Ndakarwadzisa moyo
wangu wakaita seuri kubayiwa
netsono. Zvichakadaro vamwe mai
vakasimuka vanova ndivo vanotora
ma decision pavanhukadzi.

"Mambokadzi zvinhu zvawaita


zvinonyadzisa zvakanyaya, saka
hatingaiti Mambokadzi akafanana
newe saka toona sekuti unofanirwa
kuva na mainini vako. Parizvino
takamirira kunzwa kuti Mambo
mudiki achadzoserwa pachigaro here.
Kana achidzoserwa anofanirwa
kuroora umwe mukadzi achazvibata
sa Mambokadzi kwete iwe".
Ndakavhura maziso ndichitarisa
Munya, akanyemwerera akanditarisa
jesus!!! Mashura angu aya. Saka
Munya anotoridawo barika? Barika
ini? Aewa ndichiri mudiki kani for
barika. Vadii havo kuti ndidzokere
kumba pane kundiisa pachipari.
Vanhu vakatanga kusimuka
vachienda kudzimba dzavo. Mhamha
na baba naivowo vakasimuka
ndakasimuka ndichimhanya
ndichienda kwavari asi havana
kumboita hanya neni

"Mhamha!! Baba!!" Havana


kumbonditarisa vakaramba
vachifamba.

Ndakabhidhaira ndichidzokera
kumashure. Ndakaona Tafadzwa
achienda mu room make, aiita
kuzvidhonza zvekuti aiva
asingakwanisi chinhu, apa hanzi
hapana anofanirwa kumubatsira.
Ndakaenda mukamuri mangu,
Ndakawana Munya akagara pasi,
ndakapererwa kuti ndotangira papi
kumutaudza
"Zvayi" ndakadaro nezwi raibvunda.

Munya akabva asimuka. Ndakajamba


ndichizvipeta pamadziro
"Hande" Munya akadaro

Handizivi kuri kuendwa ndakatevera


kumashure. Akananga mu room ma
Taffy. Takawana Taffy achiedza
kuzviisa mushonga pamavanga ake.
Paakaona Munya akabva asimuka
"Ndoda chokwadi" Munya akadaro

"Ndechipi chokwadi chaunoda kuziva?


Ndakakuudza kuti handidi kuendesa
mukadzi wako iwe ukandiendesa
zvenharo. Hona manje, ini ndiri
mumarwadzo iwe uneyi?". Taffy
akadaro achichema. Handisati
ndambonzwa Taffy achitaura na
Munya achidaro. Munya akamupa
gwati rembama
"Ndirove madiro Munyaradzi zvagara
mapedza neni hapasisina marwadzo
andiri kunzwa. Ndipedzise!!!" Taffy
akadaro

"Usandi tester mupfana" Munya


akadaro
"Zvayi hapana zvatakaita" Ndakadaro.

"Handisi kutaura newe iwe ndiri


kutaura na Tafadzwa"

"Hapana zvatakaita ku Harare"


Tafadzwa akadaro

"Hamuna kurara pamubhedha umwe


chete here?"

"Takarara asi hapana zvatakaita"


"Nei makarara pa same bed mu same
room"

"Kwaiva kwangosara one room chete


saka hapana zvataikwanisa kuita"
"Muhotera hamuna masofa here?"...

"Izvo bvunza mukadzi wako" Munya


akanditarisa
"Tafadzwa anga achida kunorara
kumusikana wake ndikamurambidza"

"Nei wamurambidza?"

"Ndaitya kurara ndega"


"Ko imwi ku Harare manga
mafambira ma book or mafaro
muchimwa doro muchisvuta ma
drugs nekunodhidha"

"We are sorry Munya asi nyaya yema


drugs hatina kumboasvuta isu"
"Zvese izvi yanga ingori set up.
Hameno nei pamusha pano
ndakavengwa ini" Tafadzwa akadaro

Munya akabuda ndakamutevera


kumashure. Akasvika achitora duvet
pa bed nemutsamhiro achizviisa
pasofa.
"Uri kuitei? Nei usingarari
pamubhedha?"

"Rara iwe ndicharara pasofa" Munya


akadaro
"Huya urare pamubhedha wako"
haana kundipindura asi akazvivhara
kumeso ne duvet

Haa mwana wekwa Zhou


handinganyengereri harahwa yose iyi
ini. Ndakapinda mumagumbezi
ndichirara. Ndakaedza kurara asi
hope dzairamba. Ndaingofunga
Tafadzwa kuti ari sei kwaari.
Ndakatarisa Munya aiva
akutodzifodora zvake mukomana
wekwa Zvayi

I wonder Tafadzwa ari sei.


Murovegwo waaita unorwadza
shame handidi kunyeba. Ndakatarisa
nguva dzaiva dzava kuma 12.
Ndakamuka ndichitora mapiritsi
emarwadzo ndichibuda ndichienda
mu room ma Tafadzwa.
Ndakamuwana asina kurara
akavhunduka paakandiona

"Uri kudei pano newevo ayy?"

"Ndauya kuzokubatsira"
"Ndamboti ndoda rubatsiro rwako
ini?"

"Handina basa nazvo izvo ini"


ndakadaro ndichigara pa bed
ndichitora mushonga . ndakatanga
kumuzora kumusana
"Anenyasha ndokwanisa kuzvizora ini
enda kumurume wako please"

"Saka unotosvuta ma drugs here nhai


Taffy?"
"Usandibvunza mubvunzo wakapusa
iwe, kangani ndichikuudza handisvuti.
Uri kudei pano?"

"Asi newevo ndakuona wakawabata


ka?"
"Unei nazvo iwe.Anenyasha siyana
nenyaya dzangu. Ndiri zvandiri
nekuda kwako"

Ndakamutarisa ndichishamisika

"Nekuda kwangu. Ndini here ndati


tiende ku party?"
"Dai ndisina kuperekedza iwe dai
zvose izvi zvisipo.ndanga
ndichazviitira zvinhu zvangu
chinyararire pasina anondiona"

"Im sorry"
Ndakapedza kumuzora ndichibva
ndamupa mapiritsi ndichibuda
ndichienda mu room mangu.
Ndakawana Munya akagara pasofa.
Handina kutaura naye ndakapinda
mumagumbezi ndichizvifukidza
kumeso ndichirara
*Mai Sarah*

Yah zvorwadza zviri kuitika pana


Mushavi nekuda kwa Ane. Anenyasha
anomuda zvakafurikidza. Saka
pakaitika something paari Mushavi
anorwara chaiko. Ndakatora chikafu
chemakuseni ndichimuendesera.
Kwasvika pakuedza haana
kumborara shame
"Chikafu chenyu baba"

"Ndinotenda asi handina nzara"

"Mune nzara baba idyai kani"


"Ko nei Ane aita zvaaita? Nei
asingandifungirivo"

"Baba Ane achiri mudiki ari kuita


zvinhu zvinoitwa nevamwe vana"
"Akaroorwa Anenyasha uye ndi
Mambokadzi"

"Baba musandiudza kuti nemwiwo


munozvibvuma kuti Ane anosvuta ma
drugs"
"Aewa handina kudaro asi wamuona
here kuti anga akapfeka sei mberi
kwa Prince. Wamuona here kuti anga
akaisa sei gumbo rake pana Prince?"

"Baba dzorai moyo kani" ndakadaro


ndichimupa chikafu chake achidya
"Kune musangano wandiri kuenda
wemadzimai"

"Okay enda hako"

Hakuna musangano uriko inhema


dzega ndoda kuenda kuna mama
Ethan. Ndoda kumubvunza ari sure
nenyaya yake. Zvagara
ndandatomufonera ndikamuudza
tosangana kupi. Ndakasvika
ndikamuwana atondimirira

"Wandivigirei nhasi?" Mama Ethan


vakabvunza

"Ndiwe hanti?"
"Unorevei?"

"Ndiwe wanga watuma munhu wako


kuti atevere vana avatore
mifananidzo?"
"Kana ndiri ini iwe unorwadziwa nei
nenyaya dzekumuzinda?"

"Asi unokanganwa kuti Mambokadzi


wenyu mwana we murume wangu?"
"Yes ndini, saka uchaita sei ne
fomeshini yawawana? Uchanoudza
murume wako here?"

"Yea ndichamuudza uye handiudzi iye


ega munhu wese anofanirwa kuziva
nyaya iyi"
"Ko warambidzwa nani? Asi ziva kuti
pandinodonha newevo unodonha"

"Oohh good for you" mama Ethan


vakadaro vachisimuka vachienda.

Neniwo ndakasara ndichisimuka


ndichienda kumba kwangu.
Ndakawana Mushavi akagara pasi
pemuti"

"Wafamba zvakanaka?"

"Ehe baba Ndokumbira tipinde


mumba pane zvandoda kutaura
nemwi"
"Zvii izvozvo manje" Mushavi
akabvunza tichipinda mumba.

Pandakagara pasi ndakutanga nyaya


yangu. Foni yangu yakapinda
message. Ndakaivhura
ndichiiverenga. Ndakavhunduka
ndichivhura maziso. Ndakapindwa
nechando ndichidedera mabvi

*sorry guys this week ndichange ndiri


very busy saka nguva yekunyora
ndoisipo asi pandinenge ndawana
mukana ndokwanisa kukupai at least
3 readmore. Pandinenge ndawana
mukana CIAO ¥ ¥ ¥ ¥ *
End of Chapter

https://chat.whatsapp.com/GdHrz7
Wozt1LxgvKqg80zV

*from chapter 1 pindai umu EǥEǥ


Eǥ*

*Anenyasha*
*written by: Makalulue*

*Chapter 11*

*Edited by: Ellena*


*Anenyasha*

Handichazivi kuti ndiite sei.


Zvepamusha pano zvokunda ngoma
kurira, ndasvika kukitchen ndichida
kugadzira breakfast zvikanzi ndirege
vachagadzira vamwe.
Maybe handichafanirwi kubata zvinhu
zvepamusha pano nekuti vanofunga
kuti ndarara na Tafadzwa.
Ndakadzokera mu room mangu
ndikawana Munya akarara pasofa asi
asina kurara hope

"Anenyasha"
"Yes"

"Wanga uchibvepi husiku?"


"Muroom ma Tafadzwa"

"Kunodii?"

"Ndanga ndichinomubatsira
paakavara"
"Why?"

"Nekuti Ari pa situation yaari nekuda


kwangu so it's my duty kuti
ndimubatsire"
"Uri kunzwa here zvauri kutaura"

"Yes" ndakadaro ndichigara pa bed


"Pamusha pano handichafanirwi
kuita chinhu here?"

Munya akangotarisa haana


kundipindura. Saka ndichaswera
ndichiitei nhaimwi? Dai ma book
angu aripo dai hangu ndichiverenga
asi kupi hanti ndakazvikanganisira
ndega. But it's not my fault ndaiva
ndisingazivi ka zvichazodai.
Ndakagara kudaro Maidei akapinda
"Mambokadzi handei tinodya"

"Nei ndanga ndisingafanirwi kubika?"


"Handizivi ndambobvunzawo asi
mhinduro ndaishaya ndofunga inyaya
iya" Maidei akadaro achibuda.

Takabuda tichiteverana naMunya.


Takasvika tichigara pasi tichidya.
Vanhu vose vaingonditarisa. Ahh
ndezvavo izvo hanti kana
vasingachandidi vanofanirwa
kundidzinga here. Ndakatarisa Taffy
asi handina kumuona. Asi angavapo
sei iye Ari mumarwadzo. I wonder
ava sei paari. Kuti adya here? I don't
think so. Ndofanirwa kunomutarisa

"Munyaradzi" Mambo vakadaro

"Baba"
"I think unofanirwa kubvumira
mambokadzi vamboenda kumba
kwavo. Sezvo pachiri kurongwa kuti
pachaitwa sei nenyaya iyi naiyevo
ambonodzidziswa mitemo"

Ohh thank God minamato yangu


yanzwikwa. I wish dai pangoita umwe
anouya ne decision ye divorce I'm
tired ini nemitemo yekumam*.

"Asi baba zvinoita here izvozvo?" Mai


Munyaradzi vakabvunza

"Munyaradzi ita sezvandakuudza"


"Ehoyi baba"

Tapedza kudya ndakanorongedza


mbatya dzangu tichibva tanopinda
mumota na Munya. Hapana aitaura
neumwe. Ndakasvika kumba baba
vakashamisika vachindiona.
"Dzababa uri kudei pano?" Baba
vakabvunza

"Ngatipindei mumba baba titaure


takagara pasi" ndakadaro tichipinda
mumba tichigara pasi
"Taura chii chaitika?"

"Mambo ati ndiuye kumba


ndichadzoka kana vava kutora
decision pana Munya"
Baba vakadhonza mweya vachitarisa
pasi
"Baba ndoziva kuti ndakakunyadzisai
mudunhu zvikaita sekunge hamuna
kundidzidzisa mitemo asi
pachokwadi makandidzisa"

"Nei waita zvawaita"


"Baba ndichiri mudiki ini handisati
ndasvitsa chero makumi maviri
nemashanu asi zvinhu zvandakuita
ndezve vanhu vane makore anodarika
makumi matatu.ndinodawo kuita
zvinoita vamwe vana vanozadzikisa
zvishuviro zvavo vachiita zvavanoda
nehupenyu hwavo. Asi ini ndiri kupi.
Ndakaroorwa soon ndinenge ndava
pabarika. Aewa baba handizvidi
zvose izvi ini"
"Ndizvo zvakarongwa naMwari"

"Aewa baba Mwari vanoda kuti


ndiende kuchikoro kwete kuroorwa
pandisingadi. Baba ndakagara
pamusha zvekumanikidza handidi ini
kugara pamusha paya. Baba
ndichakuudzai chokwadi. Zvinhu
zvakaitika ku Harare handizvishori
nazvo zvinhu zvandiri kuzvishora
ndezvekuti vari kushora imwi na
mhamha the rest kana shungu nazvo
handina basa kuti vanofungei ini.
Baba ini handifi ndakarega kudzidza.
Ndichadzidza ndigopedza zvidzidzo
zvangu vachida vasingadi.
Handingaurayi hupenyu hwangu
nekuda kwezvinhu zvandisingazivi
kuti zvichaperera kupi"

"Ndokumbira usaita zvinhu


zvichakupinza mumatambudziko
nezvinhu zvichanyadzisa family
yangu"

"Baba kudzidza kana kuchinyadzisa


muchanyara henyu handingabvumiri
vanhu vatonge hupenyu hwangu
vachindiurayira hupenyu hwangu "

"Anenyasha!!"
"Baba ndakaneta ndoda kunozorara"
ndakadaro ndichitora bag rangu
ndichienda mu room mangu.
Ndakasvika ndichizvikandira pa bed.
Shuu I miss my bed. Ndakauguma
kare wee
*Narrated*

Mama Ethan vaiva vakagara pane


imwe restaurant na Paida

"Mhamha nazvino handisati ndaziva


kuti nei mambokadzi vandiunza
pano"
"Sununguka mwanangu nyaya
yandakuunzaira pano haisi hombe
idiki zvayo ndinovimba kuti
uchabvuma"

"Ndoda kuziva nyaya yacho"


"Ndoda kuti uroorwe nemwana
wangu Ethan"

Paida akavhura maziso achivhunduka

"What!!?"
"Ndizvo zvandakuunzira pano
mwanangu"

"Aewa mama izvo hazvingaitiki


ndokumbira kuti mumutsvagire
umwe mwana wenyu"
"Ndoda iwe ini hapana umwe
wandoda"

"Hayi muchandiregerera
handingakwanisi kuita zvinhu
zvamuri kundikumbira"
"Uchazviita mwanangu "

Paida akashamisika

"Hanti unoziva kuti Mai Anenyasha


vakashaya?"
"Nei muchindibvunza izvozvo?"

"Nekuti Mai vako ndivo vakamuuraya


vachimudyisa mushonga"

Paida akavhura maziso


"Nei muchitaura zvinhu zvisipo
nekukura kwenyu uku?"

"Hameno zvauri kundifungira asi


ucharoora mwana wangu kana
usingadi kuona Mai vako vachifa
nekuti baba vako na Mambo nevanhu
vemudunhu vakanzwa nyaya iyi
havangamusiyi ari mupenyu"

Paida paaida kupindura Mai Sarah


vakabva vasvika ko hanti havana
kuzoudza murume wavo zvavanga
vachida kumuudza pabva papinda
message yanga ichibva kuna mama
Ethan vachimuudza kuti vana Paida
akangoda kuwawata Paida anofa
ndizvo zvaita kuti Mai Sarah vasvike
nekukurumidza. Paida paakavaona
akasimuka misodzi ichiyerera

"Mama vakakutadzirei?"

Mai Sarah Havana kupindura naivowo


misodzi yaiyerera
"Mhamha makavauraya Mai va Ane"

"Ndokumbira kutsanangura nyaya


yose mwanangu"
"Yes or no mhamha?"

"Yes asi ndak--"

"Mhamha makaitirei zvinhu


zvakadaro kune umwe mukadzi
akafanana nemwi?"

"Mwanangu mira nditsanangure


zvakaitika"

"Ayy drama yenyu handinei nayo


ndakuenda ini. Asi musakanganwa
zvandakaudzai nekuti zvichaitika
muchida musingadi. Iwe Mai Sarah
ukada kundifambira mberi
usakanganwa kuti mwana
wemurume wako akaroorwa kumba
kwangu anytime panoitika chero chii
paari" mama Ethan vakadaro
vachienda

Paida naiyevo akatendeuka achienda.


Mai vake vakamutevera kumashure
"Mira ndikutsanangurire mwanangu"

"Hapana zvandinoda kunzwa ini"

"Saka ndichakutsanangurira sei


usingadi kunditeerera?"

"Chero kuchinzi Mai Anenyasha


vakakutadzirei asi maiva
musingafanirwi kuvauraya"

"Mwanangu nditeerere Kani"


Paida Haana kuzopindura vakafamba
kusvika vanosvika kumba. Zhou
akashamisika achiona vanhu
vachipinda vachiteverana

"Hezvo murikubvepi zvamunoratidza


kuti manga maenda mose?"
"Tanga taenda ku restaurant baba"

"Kunodii zve?

"Bvunzai mukadzi wenyu


achakuudzai?"

"Manga manodii Mai Sarah?"

"Baba" Mai Sarah vakadaro nezwi


raibvunda
"Tanga tanosangana na mama Ethan
vanoda kuti ndiroorwe nemwana
wavo zvenharo vanondityisa"

"Vanokutyisa?" Zhou vakabvunza


nekushamisika
"Ndikaramba kuroorwa na Ethan
vachataura zvinhu zvakaitwa na
mhamha Pana Mai Ane"

"Ko muri kutaura nezveyi?"


"Baba ndizvo zvandanga ndichida
kukuudzai paya ndipo paz--"

"Mhamha ndivo vakauraya Mai Ane"

Zhou akavhunduka
"What?"

"Baba ndokumbira kutsanangura"

"Inhema hanti?"
"Baba ndokumbira kutsanangura
please "

"Wakamuuraya here?"
Mai Sarah havana kupindura

"Ehe kana kuti kwete!!!!!"

"Ehe asi handin--"


Zhou vakabata musoro vachitarisa
mukadzi wavo aichema.
Vakatendeuka vachitora ma key
emota vachinopinda mumota. Mai
Sarah vakatevera murume wavo asi
pavakasvika mota yaiva yatomutswa..
naivowo vaiva vasingazivi
kwavaienda.
*Anenyasha*

Ndakamutswa nefoni yairira.


Ndakashamisika pandakatarisa
nguva dzaiva kumaseven. Tafadzwa
ndiye ayifona, arikudei nguva dzino?
"Tafadzwa ndakarara unondi disturb
(a)

"Ndoporofita here ini kuti wakarara.


Saka kana uchienda kumba kwenyu
haundioneki?"

"Unei nazvo?"
"Eyy vapengo vakawanda mudunhu
rino. So tell me chikoro wakuchirega
just like that?"

"Tafadzwa ndine ma problems hobho


already Saka usada kundiwedzera ma
problems"
"Haupinduri zvandabvunza unopenga
here?"

"Nxaa wava sei pawakuvara"


"Ndakarohwa nezuro saka iwe
unofunga kuti ndingamuka ndapora
here?"

"Nxaa" ndakadaro ndichikata foni


yangu
Ndakabva ndaenda kusitting room I
don't think vanhu vanoziva kuti
ndiripo nekuti pandauya nezuro
munhu andiona ndi baba chete.
Ndakavawana vakagara mu sitting
room

"Makadii?"
"Ane wasvika rinhi?" Paida akabvunza
achiratidza kushamisika

"Ndakasvika nezuro makuseni baba


vakagara vega ndichibva ndaenda mu
room mangu ndikabatwa nehope"
"Ndanga ndisingazivi uripo ini"

"Mhamha muri right?"

"Ndiri right mwanangu"


"Baba vari kupi nekuti Havana kuenda
kubasa nhasi?"

"Pane kwavaenda" mhamha vakadaro


vachisimuka vachienda mu room
mavo
"Paida mhamha vari right here?"

"Hamenho vari kudyiwa nei"

"Let's hope vachava right soon"


Zvichakadaro baba vakasvika.
Havana kutaura neni vakananga mu
room mavo

"And then"
"Hamenho Anenyasha"

"Ko chii chamuri kundivanzira


pamusha pano?"

"Anenyasha hapana musha


usingapfungairi hutsi saka soon
vachagadzirisana"
"Ohh let's hope so handidi kugara
nevanhu vakafundumwara ini"

"Ko iwe murume wamusiya nani?"


"Ndadzoswa hanzi handina respect "

Paida akaseka

"Iwe nei usina respect?"


"Ayy ngatisataura nezvepamusha
paya"

Zvichakadaro foni yangu yakapinda


message aiva Tafadzwa aindiudza
kuti investigater yake yavawana vana
asi vachatisanganisa navo ne Friday.
Wow what a good news

"Chiiko kubva warova zismile


rakadai?"

"Sisi kana uchiri panyika unofanirwa


kufara. Ukasa uchafara unofarira
kupi?" Ndakadaro ndichisimuka
ndichienda mu room mangu

************
Mangwana makuseni ndakamutswa
nemazwi evabereki vangu aiva
pamsoro. Kutaura kwavo vanenge
vari kunetsana chete. Ndiri kuvanzwa
kuti vari kushaudhana asi zvavari
kutaura handisi kuzvinzwa. Ndakabva
ndamuka ndichinyahwaira ndichienda
pa door. Regai vanhu vekumuzinda
vachiti handina ma manners chii
chandiri kuita manje
"Ndirege Mushavi yes
ndakambofunga kuzviita asi
ndakaona kuti zviri wrong ndichibva
ndasiya. Mama Ethan ndivo vakaita
ndisingazivi"

"Nguva yose iyi waindisiya


ndichichemera Chenge
uchindinyaradza izvo iwe waiziva
chokwadi uchindiita benzi"
"I'm sorry Mushavi ndaiva
ndisingachadi kuzviita uye ndaitya
kukuudza nyaya yose"

"Now ndakuzviona kuti nei


uchimuvenga dza baba"
"Hazvisirizvo baba Ane handimuvengi
ini"

"Nyarara!!! Parizvino Anenyasha Ane


zvinhu zvakawanda zviri paari Saka
handidi kumuwedzera. Iwe uchabva
pamusha pangu. Vana vangu
ndichavaudza asi kwete nhasi nekuti
ndingazorasikirwa nemwana wangu.
Zvinhu zvikangoita paari
ndinomuudza.. handizivi kuti vana
vangu vachati kudii pavachaziva kuti
ndiwe wakauraya Mai vavo!!!!"

"Mushavi ndiregerere kanhi" mhamha


vakadaro vachichema

"Buda pamusha pangu Revai!!"


"Baba ndikabuda pano ndichaenda
kupi?"

"Ndopinda papi enda kuguva


raChenge unomudya"

Minutes later ndakaona mhamha


vakubuda ne bag. Ayy ini nyaya
handina kuinzwisisa asi ndoda kuziva
Imbori nyaya yeyi. Ndakaona baba
vachidhonza mhamha zvairwadza
vachidonhera pasi

"Baba muri kuitei?" Ndakabvunza.


Paida naiyevo akaswedera patiri

"Baba chiiko?"
Baba Havana kutipindura vakadhonza
mhamha vachivabuditsa panze.
Takaedza kurwisa asi baba vaiva
nesimba. Baba vakabuditsa mhamha
panze vachivhara door mhamha
vaingochema

"Please Mushavi!!"
Baba vakakiya door vachienda mu
room mavo..takavatevera. takaedza
kuvanyengerera asi zvakakona
n'anga murapwa achida. Takabva
tabuda tichinogara pasofa. Apa
hapana munhu mukuru watingaudza
kuti ataure nababa. Dai ngoni aripo
ndiye ega anokwanisa baba. Nesuwo
hapana zvatingakwanisa kuita baba
vakiya door.
After hour takanzwa panze pati zii I'm
sure mhamha vaiva vaenda

"Nhai Paida inyaya yeyi yavari


kumborwira?"

"Handizi neniwo ndatoshamisikawo


ndichiona mhamha vachibuda nema
bag"
"Asi nyaya yavari kurwira inenge
yakakura. Baba havaidzingira
mhamha nyaya diki vanovada
zvakanyanya" ndakadaro ndichitora
foni ndichifonera mhamha
ndichivabvunza kuti vari kupi. Vakati
vari kumba kwavo. Shuu at least vari
safe kwavari.

Ndakazoita Paida asanyanya kufunga


mhamha vasvika kumba.
*Week later*

Unoziva nyaya dzekwa Zvayi


dzinonditemesa nemusoro ini asi
handidi kunyanya kudzipindira. Nyaya
ya Munya hanzi yawedzera mazuva
nema reasons andisingazivi.
Handitodi kuaziva ini ndiri kufarira
ndichange ndakazvigarira kumba
kwedu.

Kozoti nyaya ya baba na mhamha iyi


ndeimwevo ikunditemesa nemusoro.
Baba Havadi kutaura nezvayo. Eyy
zvinhu hazvina kumira mushe kumba.

Ndakazvigarira hangu ndiri kuverenga


pdf Hondo yema twins hakusi ku
spaka kwariri kuita manje nyaya iri pa
session two inenge isipo
ndangonzwa vanhu vachingokimbira
pasina anopihwa. Rega ndipedze SSN
1 ndichakorokoza SSN 1 kusvika
ndaiwana.

Now nguva dziri Kuma 9 asi hope


hadziko Kani. Ndichiri kuverenga
kudaro ndakanzwa munhu aigogodza
pa window. Ndakavhunduka ndichiisa
foni pasi. Ndakazonzwa nezwi kuti iri
nderemupengo chaiye. Nguva dzino
here amana

Ndakavhura curtain achibva apinda


nepa window. Aiva akabata bag
hameno rineyi mukati

"Tafadzwa uri kudei pano?"


"Ndashaya nguva yekuuya masikati"

"Washaya nguva uchimbodei


kwandiri hanti wati uchandifonera
kana takufanirwa kunotora vana"

"Ndakuvigira izvi"
"Chii ichocho?" Ndakabvunza
ndichivhura bag. Ndakashamisika ari
ma ma book angu ema modules.

"Tafadzwa nei wandivigira izvi?"


"Mabhuku Ako ekuverenga"

"Tafadzwa uchandipinza munjodzi"

"Saka wakuda kusiya chikoro nekuda


kwe nyovi yaMunya?"
"Asi unoziva ka kuti zvine hunjodzi
mukati?"

"This time tichaita nehungwaru


hatibatwi. Saka iwe unoda kusiya
chikoro nekuda kwezvinhu
zvekupenga. Uchiri mudiki
Anenyasha. Chii chinonzi
Mambokadzi? Matuzv** ayo"

"Wakundidherera Tafadzwa"

"Asi ndikutaura chokwadi"


"Zvino this time ndichaiwana kupi
Mari nekuti Munya avharisa zvose?"

"Siira ini zvose iwe chako kuverenga


chete asi ukangofoira unonya chete"

Ndakaseka ndakamutarisa
"Thank you"

"Handingaendi usina
kumbondipindura rough taura tinzwe"

"Nxaa unopenga. Wakunzwa sei


manje"

"Ndatova chibaba ini ndiri kutobva ku


Harare"

"Tafadzwa"
"Hmmm"

"Handizivi or ichokwadi asi


ndokumbira usiyane nema drugs
anouraya remangwana rako"
"Ndiani ati ndiri kusvuta ma drugs?"

"Hapana ndiri kungotaurawo hangu"

"Usandityira handibati ma drugs ini"


"Good Saka vana tinoenda rinhi
kunovatora"

"Manje tigodzoka mangwana


makuseni "

"Nei tichifanirwa kuenda husiku?"


"Hanti unoziva here kuti wakagadiwa
sei?"

"Asi vanondijairira"
"Haungazvi believe kuti mainini
mama Ethan ndivo vakatuma munhu
kuti atitore ma picture. Sezvo ndanga
ndiri ku Harare ndizvo zvandanga
ndafambira"

"Haa nei vachidaro?"


"Handizivi neniwo"

"Kumba wavaudza here?"

"Unofunga vangandi believer here ini.


Zvinhu zvandofanirwa kuita ku
confronter Mama Ethan
handingarovegwi Ivo ini"
"Mukadzi wa Munya vana vake vari
kupi?"

"Masvingo"
"You mean tiri kuenda masvingo
manje?"

"We don't have choice asi kana


usingadi kuenda ndichaenda ndega "
"Handina kuti handisi kuenda asi
ndofanirwa kuudza Paida" ndakadaro
ndichienda mu room ma Paida
ndakamuudza nyaya yose. Akabvuma
kuti achandikavhira. Ndakadzokera
mu room mangu ndichipfeka zvinhu
zvinodziya tichinopinda mumota

"Please usachaira kunge mupengo"


"Yes madam " Tafadzwa akadaro
achimutsa mota tichienda

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/GdHrz7
Wozt1LxgvKqg80zV
*From chapter 1 pindai umu EǥE
ǥEǥ*

*Anenyasha*

*Written by: Makalulue*


*Chapter 12*
.

*Anenyasha*

Handisati ndamboenda ku Masvingo


ndanga ndisingazivi kuti tichatora
nguva yakareba kudai kuendako. I
think tasvika kuka hwani husiku all I
can say Tafadzwa anga achimhanya
dai anga asingamhanyi hamenho
taisvika nguvai. Now nguva dzava
Kuma 4 tarara mumota hazvaiita kuti
timutse vanhu vakarara.

Tichanovaona kana kwachena. No


ways ndakunzwa nzara ini mudumbu
mangu muri kurira nzara chaiyo apa
Tafadzwa Ari kutoridza magwiriri
hake. Ahh hwaa ndiri kufa nenzara ini.
Ndakabva ndamumutsa
"Tafadzwa"

"Hmmm" aitodaitira kuhope hake

"Muka"
"Kwaedza here zvawava
kundimutsa?"

"Aewa asi ndine nzara ini chikafu


chandadya hamusisina mudumbu"

Akamuka achizvipukuta kumeso. At


least tiri pedo ne garage achaenda
kunotenga.
"Haa wandimutsa ndichitonakirwa
nehope hangu"

"I'm sorry asi ndine nzara"

"Ndamboti handiendi here kunotenga


chikafu" Tafadzwa akadaro achitora
wallet yake

"Ndikuperekedze?"

"Aewa sara ndichaenda ndega,"


Ndakabvuma nemusoro achibva
achibva aenda. After ten minutes
akadzoka ne plastic achindipa.

"Thank you" ndakadaro ndichivhura


plastic. Chinhu chandakatanga kuona
I burger

"Waziva sei kuti ndofarira burger?"


"Handizivi ini pamwe
zvangonangana"

"Hezvo burger pa garage?"

"Kuseri kune chicken licken iripo "


"Masvingo zvazvinhu"

"Haudi here tiuye kuzotenga imba


yedu kuno?"

"Iwe nani?"
"Newezve ndiani umwe Ari pano
wandingataura naye?"

"Unosvuta mbanje?"

"Dzakandiramba"
"Ndati pamwe wasvuta mbanje"

Akanditarisa achinyemwerera.
Ndakadya chikafu kusvika ndapedza.
Akandivhurira juice ndikamwa.
"Iwe hauna nzara"

"Handidyi husiku ini"

Pandakamutarisa mu trouse kumberi


kwaiva kwavaka tent
*Arggg maan Taffy siss" ndakadaro
ndichimutendeka

"Akazvitarisa achibva atendeuka


achitarisa kune rimwe side

"Good ndakurara ini"


"Taffy Kuma four manje kwaedza ko
toenda kunotora vana nguvai?"

"Ayy Anenyasha ini ndichamuka


Kuma 7."
Neniwo ndakaedza kurara. Ayy I miss
my bed ini kurara pachituro ratova
drama.

"Chiiko newe uri kushishinika?"

"Handikwanisi kurara pachituro ini"


Tafadzwa akaseka

"Dai taenda ku hotera asi heey


chanezuro tingapihwa kutorwa
maphoto. This time ndingakuita
zvimwe ndinoroverwa zviripo"

"Tafadzwa unombotauravo zvinhu


zvine musoro here iwe"

"Good night mukadzi we brother


yangu" Tafadzwa akadaro achiseka.
Neniwo ndakabva ndarara

***************
Ndakanzwa munhu akundimutsa
nguva dzaiva Kuma seven

"Takufanirwa kuenda"

"Arggg ndanga ndichiti


ndichakutangira kumuka"
"Sorry sweetheart kwanga kuri
kungofunga chete hazvina kuitika"

"Handizvidi hangu kana uchiti


sweetheart "
"Sweetheart anorevei. Hanti anoreva
kuti une moyo uri sweet"

Ndakadzungudza musoro, Tafadzwa


akamutsa mota takuenda kwaigara
vana va Munya . Takasvika pane
imwe imba. Taffy akatarisa address

"Ndipo apa"
Takabuda mumota tichipinda mukati.
Paiva nevana vaviri. Mukomana
angava nemakore gumi neimwe
musikana angava nemakore
matanhatu. Mukomana paakaona
Taffy akavhunduka achimumhanyira
achimuhaga
"Superstar"

"My Champion"

Musikana aiva akamira, airatidza kuti


hapana zvaaiziva. Ndofunga akabva
Kwa Zvayi achiri mudiki
"Jayden wakura kudai mupfana"

Jayden akatarisa musikana

"Portia huya uone daddy" Jayden


akadaro
Portia akamhanya achiuya Kuna
Taffy achidanidzira kuti Daddy
achimuhaga.

"Poshy ava ndi daddy vedu vadiki


daddy Havana kuuya"

"Uri sei chimhandara changu?" Taffy


akadaro
"Ndiri right daddy"

"Ava ndi mainini Anenyasha I


shamwari yangu" Tafadzwa akadaro

Takamhorosana nevana Tafadzwa


achivambundira
"Vari kupi mhamha?"

"Vari mumba?" Jayden akadaro

"Ohkay enda unovadana" Taffy


akadaro achibuda ma chocolate
muhomwe achivapa. Vana vakatenda.

Jayden akaenda mumba, Tafadzwa


akatora musikana achimugarisa
pamsoro pake. Heey mukomana uyu
anofanana na Tafadzwa zvakanyanya
ndinobvuma ndi bamnini vake asi
kufanana kwacho yoo kwazonyanya.
After some minutes pakabudikira
umwe musikana I'm sure ndiye
mukadzi wa Munya.i wonder chii
chakaitika kuti asiye Munya just like
that. Ayy asi Munya apa aiva ashara
akanaka mukadzi wee.

"Tafadzwa"

"Maiguru Mpume" Tafadzwa akadaro


vachihagana

"Wakura kudai Tafadzwa?"


"Nei maiguru makaenda. Nei
makatora vana Champion away for
me. Munoziva ndinobhowekana sei
kana vasipo"

"I'm sorry boy asi situayndiyo yakaita


kuti ndiende" Mpume akadaro
vachihagana zve
"Hona tangomhanyira kutaura tega
hauna kuita ma intro Pana sisi"
Mpume akadaro

Ndakarohwa nehana ndichitarisa pasi

"Ohh uyu ndi Anenyasha I shamwari


yangu"
"I shamwari kana kuti i-"Mpume
akadaro achinyemwerera

I wonder achaita sei pavachaziva kuti


ndakaroorwa nemurume wake.

"Takufanirwa kuenda maiguru


tingazosvika late"
"Haa mangogara two seconds here?"

"Maiguru tauya kuzorora vana"


Mpume akavhura maziso

"Ini ndanga ndichifunga kuti wauya


kuzovaona uchaswera navo
wozoenda manheru"
"Kumba vanovada maiguru. Kana sa
Munya kubva zvavakaenda haasi
right"

Tafadzwa paakataura nezva Munya


ndakaona Mpume achinyemwerera.
Uhhm zvandichaenda pa barika
sekutamba sekuseka.
"Ari sei Munya "

"Munya Ari right"

"Hazviiti Tafadzwa vana vangu


havaendi pamusha paya"
"Champ ndokumbira muende mu
room menyu"

"No superstar wakuda kutisiya


wodzokera kumba nesuwo toda
kuenda kumba"
"Aewa superstar handingaiti zvinhu
zvakadaro"

Vana vakasimuka vachienda

"Maiguru ndokumbira mundiudze kuti


nei makangobva kumba just like
that?"
"Handidi kutaura nezvazvo
uyehandidi kuti vana vangu vaende
pamusha paya. Ndichiri kuvada vana
vangu"

Takashamisika na Taffy

"Maiguru ndokumbira kuti mundiudze


chii chakaitika ndoziva kuti na Munya
hamuna kurwa"

Mpume akatanga kuchema


achitiudza nyaya yose pamsoro pa
mama Ethan

"Ko nei mukadzi uya Ane hutsinye


hwakadaro? I wonder zvingani
zvinhu zvaakaita pamusha paya"
Taffy akadaro

"Mama Ethan ndi Satan chaiye haasi


munhu" ndakadaro

"Chinyararai gulezi hapana munhu


achauraya vana . Chiendai
munorongedza tiri kuenda manje"
Taffy akadaro

Mpume akavhura akatanga


achiramba asi takamunyengerera
kusvika abvuma.

"Asi ini handiendi kumba kwenyu"


"Okay maiguru muchasara mu
thawundi"

Akabva asimuka achinorongedza.


Tafadzwa akanditarisa
"Unovaona maiguru vako?" Tafadzwa
akadaro achiseka

"Tafadzwa siyana neni wanzwa?"

"Apa unomira kuti ntsii. Hona g**o


racho apa wacho idanda zvaro. Izvo
zvimakumbo kunge uchadonhera
pasi"

"Tafadzwa siyana neni hanti ini


ndichiri mudiki Saka neniwo muviru
wangu uchakura nxaa"

"Iyazve ko watotsamwa? Ndiri


kutamba ini.i understand kuti good
ratobata asi ini ndanga
ndichizvitambigwa hangu"

*Munyaradzi*

Takagara as family tiri kudziya moto


sezvo iri nguva yechando kunze
kwatotanga kusviba
"Nhaimwi ndiani andionera Tafadzwa
?" Mhamha vakadaro

"Haa maiguru mungazvinetsa na


gumbomutsvairo uyo" Ticha akadaro

"Hayi mwana wangu ka kubva


makuseni handina kumbomuona ini"
mhamha vakadaro

"Ichokwadi neniwo kubva makuseni


handina kumbomuona chero chikafu
chemakuseni haana kudya uye haana
waaudza kuti Ari kuenda kupi"
mamoyo akadaro

"Akura Tafadzwa achadzoka. Muri


kungozvinetsavo imwi"
"Munya Ari kutaura chokwadi
Tafadzwa agara kugara pasi
kunomunetsa"mama Ethan vakadaro

Tichiri kutaura kudaro.


Ndakapera Simba nezvandakaona.
Family yose yakasimuka. Vana
vangu ka ava vandiri kuona. Zvinhu
zvose zviri kuitika manje ndikunzwa
sendiri kurota. Tafadzwa na
Anenyasha vavatora kupi vana vangu?

"Jayden.portia" ndakadaro
ndichiswedera pavari ndichivahaga
so tight

"Haa vazukuru vangu muri kubvepi?"


Baba vakabvunza
Mhamha vaiva vakuyerera misodzi
.

*ANENYASHA*

Wow it's so emotional Munya


nenzira yaave paanoona vana vaka
"Jayden, Portia" Munya akadaro

"Taikufungai baba siku nesikati"


Jayden akadaro

"Papa" Portia akadaro


"Manga muri kupi nguva yose iyi?"
Munya akabvunza.

"Munya haisi nguvayemibvunzo


yakadaro" Mai Munya vakadaro
vachivahaga. Ndakaona mama Keith
vachivhunduka vaiona kuti nyaya
dzavo dzakuzobuda manje
Mamoyo naiyevo akavahaga pamwe
chete na mama Ethan, ndakaona
Taffy achichinja kumeso asi
ndakamubata ruoko achibva anyarara
sezvo anga akuda kutaura.

"Vazukuru " Mambo vakadaro

"Sekuru" Jayden akadaro


vachihagana

"Sekuru mhamha havana kuuya pano"

"Haa nyarara Portia nei uchifarira


kutaura?"Jayden akadaro vanhu
vakaseka
Shuu ndotanga kuona family iyi
ichifara kudai. Ko hanti vanogara vari
serious kunge vadya mhiripiri. Mai
Munya vakaswedera pandiri

"Mambokadzi ndinotenda
zvakanyanya nekundidzosera
vazukuru vangu. Handisi ndokutenda
sei" Mai Munya vakadaro
"Ibasa rangu mhamha musanditenda"

"Taffy ndinotenda mwanangu


nezvamaita na mambokadzi " Mai
Munya vakadaro

Munya akaswedera patiri. Eshuu I


wonder anoda kuti kudii. Sometimes
ndombomutya murume uyu
"Handizivi ndokumbira sei ruregerero
kwamuri. Nguva yose iyi ndaifunga
kuti munoda kundirwadzisa izvo
kwete munoda kundiona ndichifara
ndinotenda zvakanyanya
nezvamandiitira"

"Aewa mashanda shuwa ndikare


tichivatsvaga vana ava takasvika
pakuneta imwi mavawana ne thuu
seconds" Ticha akadaro. Mambo
vakaswedera patiri

"Family ino haisi chinhu kunze


kwevana ava. Hapana chinhu
chinofadza sekuoka vazukuru
mashanda vanangu " Mambo
vakadaro

"Tinotenda baba" Taffy akadaro


"Zvinhu zvakaitika pamasvondo adairi
zvanga zvisingafanirwi kuitika isu
taiti pamwe munoda kusvibisa Zita
repamuzinda izvo munoda zvakanaka
zvega pamuzinda aewa tinotenda
vanangu" Mambo vakadaro

Vanhu vakazofara vose vakahaga


vana, takazovaudza kuti tavawana
kupi. Vanhu vose vakashamisika asi
hatina kuvaudza zvakaita vaende
Mpume ndiye achavaudza
kwakubuda mabasa a mama Ethan
ose akaipa. Munya akatora vana vake
achienda navo mu room make.
Mufaro waaiva nawo hautsananguriki.
Handisati ndamboona Munya
achifara kudai Ndakamutevera
kumashure ndikamira pa door.

"Nhasi izuva redu moda kuti tiite sei?"


Munya akabvunza
"Tiende ku shopping tinotenga
mbatya itsva"Jayden akadaro

"Ko iwe Portia?"

"Ndoda zvidhori zveku Masvingo


handichazvidi"
Munya akaseka achitarisa ku door.
Paakandiona akaswedera pandiri

"Hey"

"Hie"
"Chekutanga handizivi ndokumbira
sei ruregerero uye ndokutenda sei?"

"Ngatikanganwe zvinhu zvakadarika"

"Thank you so much"


"You're welcome"

"Ndokumbira uende nesu tinotengera


vana zvinhu zvavanoda"

"Shuwa here?"
"Yah"

"Okay no problem"

Takagadzirira tichibva tabuda,


takadarika ku sitting room vanhu
vose vakagara
"Tichambopinda mu town
tikunhongera vana zvinhu zvishoma"
Munya akadaro

"Zvinorumbidzwa muvatengere zvose


zvavanoda" Mambo vakadaro
vachiisa ruoko muhomwe
vachibudisa Mari vachipa Munya.
Tichibva tanopinda mumota . Munya
akaimutsa takananga muthawundi

*Tafadzwa*

Ndachaira husiku hwese ndakaneta


shame ndoda kurara nekuti
ndakungorara chero ndakamira.
Ndakaenda mu room mangu.
Pandaiva ndakuda kurara Portia
akafaona
"Portia ndakaneta pane zvandanga
ndichiita uri kundikanganisa"

"Taffy nei mazuva ano uchidaro?"

"Hayi Dineo ndoda kuzorora ini".


Ndakadaro ndichikata foni. Eyy
vasikana vanonetsa maan. Ndisati
ndarara ndakanyorera Ane message

*Hey undivigire p--t rine chidhori


pamberi*

Akabva atondipindura ipapo kunge


anga akamirira ini
*Unodei?*

*Chero chii chaunenge wandidira


iwe*

*Hapana chandinokudira Mr
Charmer*
Ndakanyemwerera

*Wanditi kudii?*

*Mr Charmer hanti ndiro Zita


raunonyenga naro vasikana ku
Facebook*
*Point of correction randainyenga
naro Anenyasha wa-- vamwe
vasikana ndaivanyenga ne account
yangu asi manje handichanyengi*

*Nxaa unoda kuita Ani benzi*


*Ko iwe uri busy nefoni hanti wabuda
out nemurume wako*

*Vari ku gymer vana ndaneta ndikare


tichimbeya*

Ndakaseka
*Muchazvirega zvekuda kuzviita miss
perfect step mother*

*Wakundipengera manje*

*Undivigirevo burger*
*Handichadi*

*Ndiri bamnini vako unofanirwa kuti


pandotaura umhanye mhanye*

*Tafadzwa handina nguva yako ini


okay*
*Okay asi burger yangu*

Akandi blue ticker haana


kundipindura ndakaseka ndichibva
ndarara
**************

After some minutes ndakanzwa


munhu akundimutsa

"Taffy ndadzoka"
"I knew it kuti uchandivigira chete"

Haana kundipindura akangonditarisa

"Thanks".

"You're welcome"
"Uri right Ane?"

"Yah" Ane akadaro achisimuka

"Ane"

Akangonditarisa
"Sure sure uri right?"

"Yah" Ane akadaro achibuda

I wonder kwaitikei.vasikana nema


moods ayy
*Nompumelelo*

Hope hadzibati ndichingofunga vana


vangu. mama Ethan anokwanisa
kuita chero chii pavana vangu.
Ndakatora foni ndichifonera Taffy
"Maiguru"

"Sorry Taffy nekukumutsa"

"Handina kukotsira hangu"

"Vana vangu vari right?"


"Don't worry gulezi vana Munya
hapana zvaachavaita"

"Ndotya Taffy Munya haazivi chinhu


Pana mama Ethan"

"Don't worry gulezi hapana


zvichaitika"
"Okay gulezi musatya" Taffy akadaro
tichionekana ndichied,a kurara

*Anenyasha*

Mangwana Taffy akandifonera achiti


Ari kuenda kuhotera Kuna Mpume
kana ndichida tiende those. Zvagara
handisati ndadzokera kumuzinda
ndichadzokera mangwana.
Ndakagadzirira ndichibva ndaudza
baba kuti ndiri kuenda mu town.
Ndakabuda mota ya Taffy yaiva
uatondimirira. Ndakapinda mumota
tichienda. Mpume aiona TV.

"Gulezi"
"Hy guys"

"Maiguru yava nguva manje yekuti


family izive kusviba Kwa Mama Ethan
" Taffy akadaro

"Ndotya Taffy "


"Mofanirwa kutaura chokwadi
maiguru"

"Munya ava nemukadzi here?"

Takatarisana na Taffy
"Izvo ngatimbozvisiyayi gulezi
hazvina kukosha pane zvandiri
kutaura"

"Ohk ndokumbira mundipe two days


coz I'm scared"

"Okay after two days no turning back


" Taffy akadaro
Takazotandara kusvika nguva dzekuti
tiende dzachaya. Takabuda
tichinopinda mumota. Taffy paaiva
akumutsa mota foni yake yakarira
akabuda achinodairira panze. After
some minutes akadzoka akumhanya
achifemuruka

"Ndokumbira kuti ukwire kombi kune


kwandoda kumhanyira"
"Ndekupi ikoko?"

"Anenyasha please!!!" Taffy akadaro


nehasha

"Ohk ohk there is no need yekuti


undituke Tafadzwa Zvayi" ndakadaro
ndichibuda. Pandakamgobuda
akamhanyisa mota kunge mupengo. I
wonder Ari kuenda kupi

*******************

Nguva dzava Kuma 8 husiku Munya


akauya kuzonditora tikaenda
kumuzinda. Takawana vana vakarara
mukamuri medu

"Ahhm ndichanorara mine rimwe


room ndikupe nguva nevana"

"Are you sure?"


"Yah vakarara handidi kuti uvamutse"

Akandiperekedza tichienda mune


rimwe room. Patakasvika
akandiswededza paari

"Thanks again"
Handina kumupindura ndaiva
ndakunyara. Akandi Bata chirebvu
achinditaridza kwaari achitanga
kundikisa. Takakisana kwenguva
yakareba kusvika andikurura mbatya.
Ndakavhunduka paakandiradzka
pamubhedha.

"Uhhm I think vana vakakumirira"


ndakadaro ndichimubisa pandiri

"Ahhm I'm sorry" Munya akadaro


achibuda ndakanovhara door
ndichizvikandira pa bed.noooo

*************
Ndakapepuka ndichinzwa nyora
pandakatarisa mu room
mandakarara maiva musina mvura.
Ndakamuka ndichienda ku kitchen.
Ndakamira kudaro ndakanzwa
munhu aipinda.

Ndakavhunduka ndichinohwanda
sezvo mwenje ndaiva ndisina
kuubatidza. Munhu uya akanovhura
fridge. Pandaona Ari Taffy
ndakabatidza mwenje . Tafadzwa
akavhunduka apa nguva dzava Kuma
two.

"Ane nei kundivhundutsa?"

"Uri kubvepi nguva dzino Tafadzwa?"


Ndakavhunduka zvakanyanya
pandakaona hembe yaakapfeka ine
ropa

"Tafadzwa iropa Rani iri?"

Akabva azvitarisa achibva atobuda


ipapo
"Good night Anenyasha"

Ndakavhura maziso. Tafadzwa Ari


kubva kupi nguva dzino? Apa Ane
ropa. Aewa nyaya iyi haindipi peace
ndakamutevera mu room make aiva
asina kukiya ndakapinda mukati

"Anenyasha uri kudei?"


Ndoda kuziva kuti ropa iri wariwana
kupi?"

"Tanga tichiba mbudzi tikaidya iropa


racho iri"
"Usandiita benzi Tafadzwa iropa
remunhu iri"

Foni yake yakarira akaitarisa achibva


andidhonzera panze achikiya door.
Ndakamunzwa achitaura asi aitaurira
pasi
"Tafadzwa ndivhurire"

Haana kuvhura

"Okay ndakunouudza mukoma wako


kuti hembe yako ine ropa remunhu"
Akabva atovhura.

"Anenyasha problem yako iripapi? Uri


kudei munyaya dzangu?"

"Problem yangu iri pakutii love you


Taffy---"
Ndakazvibata muromk hamenho
ndazvitaura sei izvi. Akabva
andidhonze panze

"Unondijairira iwe" Tafadzwa akadaro


achibuda neni

"Hapana anofanirwa kuziva nyaya iyi


Anenyasha wanzwa? Dzidza
kuvharwa murimo wako" Tafadzwa
akadaro achichata door

Ndakasara ndakangovhura maziso.


Ko zvinhu zvandataura zvabvepi no
ini munhu wandinoda ndi Munya. I
love Munya, only Munya

*Guys I know book morifarira asi


kana ndiri busy understand guys
pane zviri kuitika pandiri that's why
ndisingakwanisi kunyora book
richatanga kuuya everyday Monday
ndopandinenge nda free*

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/GdHrz7
Wozt1LxgvKqg80zV

*from chapter 1 pindai umu EǥEǥ


Eǥ*
*ANENYASHA*

*Written by: Makalulue*

*Edited by: Ellena*


*Chapter 13*

*Anenyasha*
Ndakaenda muroom mandaifanirwa
kurara ndikarara. Ndaingo zvibvunza
kuti Tafadzwa chii chaizvo chaari
kuvanza.

Makuseni ndakamuka ndichienda ku


kitchen ndakawana Maidei ari busy.
Takamhorosana ndikamubatsira ne
breakfast. Tapedza takaendesa
patafura vanhu vakauya vakagara
pasi tikatanga kudya Tafadzwa
naiyevo aivapowo.
Tichidya kudaro takanzwa knock pa
door, Ethan akasimuka achinovhura.
Aiva mapurisa, ndakatarisa Tafadzwa
asi akatozeesa maziso.

"Vanhu vemitemo pane zvatatadza


here makuseni ano?" Mambo
vakabvunza
"Tiri kufamba tichitsvaga Fanuel
Zvayi" mupurisa akadaro.

Ndakatarisa Tafadzwa akandipa ziso


raityisa zvekuti ndakakurumidza
kutarisa pasi.
"Fanuel Zvayi? Aewa hatimuzivi isu
Fanuel Zvayi. Iye Fanuel wacho aitei?"

"Tafonerwa nemapurisa eku


Zvishavane kuti pane mukomana
awanikwa akafa I think anga
achibatwa nematsotsi Saka tazobata
umwe wematsotsi acho ndiwo ati
direct kuno ati mukomana wacho
anonzi Fanuel Zvayi ". Mupurisa
akadaro

Ndakavhunduka ndichitarisa
Tafadzwa. Kuti Tafadzwa ndiye
Fanuel here? Anga achitsvagei ku
Zvishavane kwese uko? Kuti ndiye
Fanuel? Aewa haasi kwangova
kufanana kwe mitupo chete.
"Aewa ndoshuvira kuti mumuwane
pano hatina munhu akadaro "Mambo
vakadaro

"Nesuwo kana pane chatanzwa


tichakuzivisai" Munya akadaro
Mapurisa akaoneka achibva aenda.

"Ewuu nyika yashata iyi.vana vedu


ava" Mambo vakadaro

"Taffy newe Ethan musamboedza


henyu kuita zvinhu zvakadaro " Mai
Munya vakadaro

"Haa maiguru isu here aewa hatiiti


zvakadaro isu" Ethan akadaro
achiseka hake

Tafadzwa haana zvaakataura


akasimuka achienda mu room make
aionekwa kuti haasi right ane
zvihombe zvaari kufunga. Tapedza
kudya takarongedza ndiro
tichiendesa ku kitchen imwe ndiro
yaiva ne ring

"Hezvo ko haisi ring ya Taffy here?"


Maidei akabvunza
"Ndiyo"ndakadaro ndichiitarisa
zveshuwa yaiva ya Taffy

"Ndokumbira unomupa" Maidei


akadaro.
Ndakatora ring kuna Maidei but I'm
scared kuenda mu room ma
Tafadzwa but hapana zvandingaita
ndakabva ndaenda mu room make.
Ndakamuwana achitaura pafoni door
raiva risina kuvharwa

"Uudze benzi iro riri kujeri kuti


makomo haasangani asi vanhu
vanosangana"
Tafadzwa akambonyarara kwenguva
I'm sure aiteerera zvaitaurwa
nemunhu waaitaura naye pafoni

"Aewa vati vanoda Fanuel but it was


so close"
------------------

"Okay ndozokufonera masikati"


Tafadzwa akadaro achikata foni.

Ndaiva ndango freezer panzvimbo


imwe chete. Naiyevo paakandiona
akavhunduka
"Wakanganwa ring yako mu plate"
ndakadaro ndichimupa ring.

"Kana uchitaura pafoni dzidza


kuvhara gonhi" ndakadaro ndichibuda
Misodzi yaiva yajenga kumeso chii
chiri kumboitwa na Tafadzwa. Inyaya
yeyi yaari kuita? Ndakasvika muroom
mangu ndikazvikandira pa bed.
Zvichakadaro Portia akapinda achida
juzi ndakamupa achibva abuda.

Foni yangu yakarira vaiva mama.


Vakandiudza nezvababa kuti havadi
kutaura navo vakazondiudza kuti
pane zvavanoda kutaura neni nazvo
saka vanoda kundiona. Ndapedza
kutaura na mhamha Munya akapinda

"Zvayi ndafonerwa na mhamha vati


vanoda kundiona "

"Kwakanaka here?"
"Handizivi asi mhamha vava
nesvondo rose vachigara kumba
kwavo"

"Okay ndichakuendesa"
"Aewa Zvayi ndichaenda ndega iwe
unebasa rakawanda raunofanirwa
kuita"

"Ndikutsvagire munhu
achakuendesa"
"Usanetseka neni ndichaenda ndega"

"Aewa handingabvumi kuti uende


wega rega ndikutsvagire munhu
achakuendesa" Munya akadaro
achibuda

Ndakasara ndichizvigadzira. Munya


paakauya ndaiva ndatopedza
ndakanopinda mumota tichienda.
Munzira foni yangu yakarira
pandakatarisa aiva Taffy. Ari kudei
manje kwandiri uyuvo uyu?

"Uri kudei kwandiri?"


"Uri kupi? Ndoda kutaura newe"

"Ini handidi kutaura newe"

"Please Ane inyaya yakakosha


unofanirwa kuinzwa"
"Ndichifira kuita zvinhu zvakakosha
kwandiri manje" ndakadaro
ndichikata foni. Akandifonera zve

"Chiiko newe Tafadzwa kukata foni


zvoreva kuti handidi kutaura newe"
"Anenyasha haungakati foni kunge
ndiwe wafona maan . Ndoda kutaura
newe manje"

Ndakakata ndichidzima foni yangu.


Tafadzwa anondijairira ahh
************

Takasvika pandaiva ndasenderwa


location na mhamha ndakawana
mhamha vatosvika ndakabuda
mumota ndichienda kwavari.
Pavakandiona vakandimhanyira
vachindihaga
"Mhamha inyaya yeyi
yamandidanira?"

"Gara pasi mwanangu titaure"


mhamha vakadaro takagara pasi

"Ndinoziva mushure mekunzwa


nyaya iyi uchandivenga mwanangu?"
"Nei muchitaura kudaro mhamha?
Handifi ndakakuvengai ini"

"Ini na mama Ethan taiva ma best


shamwari. Taiwirirana zvakanyanya"
Ndaiva ndatovhura nzeve ndichida
kunzwa kwaienda nyaya

"Chinhu chekutanga
chandichakuudza chenjera Mai Ethan
Inyoka iya, kutaura kudai vari munzira
yekuda kuuraya Munya. Mushonga
vatova nawo"
Ndakavhura maziso

"Haa mhamha nei makanyarara


nenyaya yakadaro? Imwi maiziva sei
nekuti ndanzwa sekunge mati Mai
Ethan vaiva shamwari yenyu kare"
"Ndakaenda naye"

"Why?" Ndakabvunza ndakurohwa


nehana

"Eish mwanangu pane


zvakandimanikidza kuti ndiite zvinhu
zvakadaro?"
"Mhamha ndezvipi zvinhu
zvingakumanikidzai kuita zvinhu
zvingauraya munhu? Worse part
murume wemwana wenyu. Or
hamunditori semwana wenyu?"

"Aewa hazvisirizvo mwanangu "


"Saka nei makaenda naye?"

"Anondityisa mwanangu"
"Anokutyisai nei?"

"Aiti achaudza vanhu vose kuti ndini


ndakauraya Chenge "

Ndakanzwa kunge pane zvadarika


munzeve dzangu
"Handina kunzwa mhamha mati
kudii?"

"Ndinokuvimbisa mwanangu handina


kuzozviita "
Ndakanzwa misodzi kupisa kumeso
kwangu

"Chii chamusina kuzoita"

"Kuuraya Mai vako. Mama Ethan


vakanditi ndiuraye mai vako nekuti
baba vako vanovada zvakanyanya
kudarika ini Saka ndakabvumirana
nazvo nekuti ndaiva ndaneta
nekugara ndichichema nekuda
kwavo"

Ndakapererwa kuti ndoti kudii.

"Takaenda ku n'anga ikatipa


mushonga asi patakasvika kumba
ndaka ndazofunga kuti zvinhu
zvandoda kuita zviri wrong.
Ndakadzosera mushonga Kuna
mama Ethan ndikamuudza kuti
handichadi kuzviita. Akabvuma haana
kupokana neni rimwe zuva
akatishanyira izvo ane chinangwa
chake akaisira Chenge mushonga mu
juice"

"Makauraya Mai vangu?"


"Aewa handina mwanangu ini
ndakatadza nekuteerera Mama Ethan
chete"

"Nei makashara kutitorera Mai vedu?


"Mwanangu handis---"

"Handisi mwana wenyu ini!! Nei


makaita hutsinye hwakadaro. Muri
mhondi Mai Sarah. Now I see nei
baba vakakudzingai huroyi hwenyu
uhu"

Mai Sarah vakandibata ruoko asi


ndakabvuta ndichibva pavari.
"Musandibata nemaoko akauraya Mai
vangu"

"Ndiregerere"
"Ruregerero rwenyu
muchanorukumbira mberi kwevanhu..
. " Ndakadaro ndichibva pavari.

Nguva yose iyi ndaidana mhamha


munhu akauraya mai vangu.

"Mambokadzi muri right?"


"Ndiri right ndiendese kumba kwedu
KwaZhou"

Muchairi akabvuma nemusoro


achimutsa mota tichienda kumba.
Munzira aingonditarisa nepa mirror
aindiona kuti ndiri kuchema asi
akatya kundibvunza. Takasvika
kumba ndikaburuka mumota.
"Enda hako kumuzinda ndichauya
netsoka"

"Aewa mambokadzi ndichakumirirai


Mambo vangandiuraya ndikakusiyayi"
Ndakabvuma nemusoro ndichipinda
mumba. Paida aiona TV.

"Vari kupi baba?"

"Mu room mavo uri kuchemei?"


Handina kumupindura ndakananga
mu room ma baba. Baba
pavakandiona kuti ndiri kuchema
vakasimuka vachiuya kwandiri

"Dza baba"
"Ndakuziva zvose nezvekufa
Kwaamai uye ndoziva kuti ndivanani
vakavauraya nei maindivanzira
baba?"

"Ruregerero mwanangu chirega


kuchema?"

"Nei vakaita zvinhu zvakadaro Kuna


mhamha? Hapana zvavakaita zvaiva
wrong. Ndivo vakatanga kusvika
pamusha pano. Vakakupai nguva
navo kusvika vaita vana 3 yose Ivo
vasina Saka nei vakaita zvinhu
zvakadaro kwavari?!!"

"Zvakwana mwanangu chirega


kuchema" baba vakadaro
vachindipukuta misodzi vachindihaga
*Munyaradzi*

Ndakagara mu room mangu na


princess wangu Taffy anobva apinda

"Taffy ndingakubatsira nei?"


"Mukoma pane zvinhu zvandisina
kukuudzai?"

"Zvii izvozvo?"
"Maiguru Mpume varipo vari mu
town"

Ndakamutarisa ndichishamisika

"Nei usina kundiudza Tafadzwa?"


"Ndivo vati ndisakuudzai vanga
vachitya uye pane zvinhu zvakakosha
zvavanoda kukuudzai"

"Handina nguva ya Mpume ini


akanditorera mukana wekuva nevana
vangu"
"There was a reason brother
ndokumbira umupe mukana ataure
zvaanoda kutaura ndichaenda newe
broe please ndokumbira uende
kunomuona"

"Okay"

"Neniwo daddy ndokumbira kunoona


mhamha" Portia akadaro
"Princess ingasara neiko"

Portia akanyemwerera akanditarisa.

"Enda unoudza mukoma wako kuti tiri


kunoona mhamha vako"
Portia akabuda achinomuudza
neniwo ndakasara ndichigadzirira.
Ndapedza ndakabuda tichinopinda
mumota takananga mu town.
Takasvika mu town tikaenda ku
hotera kwaaive ari. Takamuwana
akarara pa bed achiona TV.
Paakandiona akavhunduka achibva
amuka achisimuka. Vana
vakamumhanyira vachimuhaga.
"Ahhm tichakumirirai mumota or
tichauya mapedza kutaura" Taffy
akadaro achitora vana vachibuda.
Mpume akanditarisa achiswedera
pandiri

"Munya"
"Why Mpume?"

Ndakaona misodzi mumaziso ake

"Kwaisava kuda kwangu Munya.


Mama Ethan ndivo vakandimanikidza
kuita zvose zvandakaita"
"Mama Ethan?" Ndakabvunza
ndichishamisika

"Yes mainini vako" Mpume akadaro


achindiudza nyaya yose yakaitika .
Haa but mama Ethan vaizviitirei
zvose izvi?
"Iwe waiva wakaroorwa na mama
Ethan or neni?"

Newe Munya asi ndaityira vana


vangu"

"Waifunga kuti ndingatadza


kudzivirira vana vangu here?"
Misodzi yakayerera zve Kuna Mpume

"Aewa Zvayi asi akandiita kuti ndione


zveshuwa aizovauraya vana vangu"
"Reason yeyi?"

"Musi wandakabva nawo kumba


kwenyu ndaiva ndichangobva
kubudirwa nepamuviri pemwana
wedu. Mama Ethan vakandipa
chikafu chaiva nemushonga mwana
wangu akandisiya ipapo.
Vakandiudza kuti vasara hazvivanetsi
kuti vavauraye. Ndaitya Zvayi ndaiva
ndisina option it's not kuti ndaida
kuenda asi ndaiva ndisina choice"
"Mama Ethan vakauraya mwana
wangu!!?"

"Yes ndaiva nepamuviri ndaiva


ndichangoziva nezvazvo nezuro
kwacho. Ndaiiti ndichaita surprise
kukuudza I'm sorry Zvayi"
"Nei mama Ethan vakaita zvinhu
zvakadaro " ndakadaro
ndichiswededza Mpume aichema
pandiri ndichimunyaradza.

"Chirega kuchema zvichadarika


zvose izvi manje tofanirwa kuenda
kumba tinoudza vanhu zvose izvi.
Mama Ethan vachafira kujeri
nezvinhu zvavakaita "

*ANENYASHA*

Ndakamuka makuseni ndichitemwa


nemusoro ndarara kumba kwedu.
Ndakatarisa nguva
"Shit baba ndakufanirwa kuenda"

"Uri right dza baba?"

"Handisi right baba until Mai Sarah na


mama Ethan vasungwa nezvavakaita
kuuraya Mai vangu"

Baba vakatarisa pasi Havana


kundipindura

"Ndinoziva baba mukadzi wenyu uye


munomuda asi vanofanirwa kupihwa
mutongo wavo. Pandinosvika
kumuzinda ndichaudza Munya nyaya
yose "

"Ita zvichaita kuti urerukirwe dza


baba" baba vakadaro
vachindiperekedza kumota. Muchairi
aiva arara mumota. Ndakasvika
ndichipinda mumota
"Eish I'm sorry nekusakuudza kuti
ndicharara kuno"

"Don't worry my Queen "

"Munya haana kufona here?"


"Aewa mambokadzi " muchairi
akadaro achimutsa mota tichienda.

Patakasvika kumuzinda takasvikirana


nemota ya Munya naiyovo ichisvika.
Munya akabuda mumota then
Mpume naiyevo akabuda.
Ndakashamisika nazvo asi ndingati
kudii hangu hanti mukadzi wake here?
Tafadzwa naiyevo akabuda akabata
vana

Neniwo ndakabuda mumota


ndichipinda pamba. Tafadzwa
akaswedera pandiri achindibata
ruoko, ndakaedza kurubvuta asi
akandibata zvekuti ndakapedzisira
ndamurega
"Wanga uchichema Ane?"

Handina kumupindura

"Chii Ane? Wanga uchichemei?"


Handina kumupindura ndakapinda
mukati. Family yaiva yangotarisa
Mpume nekushamisika. Machinda
akaudzwa kuti vaunganidze vanhu
vanoshandidzana na Mambo

After an hour vanhu vaiva vatozara,


ndakatarisa pa corner ndikaona Mai
va Paida naivowo varipo. Yah vaita
zvakanaka vakauya, nhasi
vachapihwa mutongo wavo
nezvavakaita ne shamwari yavo.
Ndakatarisa mama Ethan vaingoti boi
boi maziso njuga dzarema nhasi
kungwara kose kunopera nhasi.
Tafadzwa aingotarisa kwemunhu Ari
kundinzwira tsitsi. Mpume naiyevo
aingonditarisa I'm sure ava kuziva
kuti ndakaroorwa nemurume wake.
Takaenda kumuzinda tikagara pasi.

"Ndinotenda nekuuya kwamaita pano.


Ava Masithole vanoda kutaura nyaya
yakaita kuti vaende" Munya akadaro

Ohh Saka mukadzi wake ndi


Masithole. Mpume akasimuka
akatanga nekumhorosa munhu wese.

"Ndinoziva kuti munhu wese


akashamiswa nekuenda kwangu asi
neniwo kwaisava kuda kwangu
situation ndiyo yakaita kuti ndiende"

"Situation yakadii iyoyo ingaita kuti


utize murume nevana vako?" Mai
vanoona nezvevadzimai vakabvunza

"Mama Ethan ndivo vakaita kuti


ndiende"
Vanhu vose vakavhunduka
vachitarisa mama Ethan

"Wati kudii?" Mambo vakabvunza

"Ahh Masithole ndakaitei ini?"


"Ndimwi mhamha, ndimwi makanditi
ndiende. Makati ndikasaenda
muchauraya vana vangu. Umwe
wacho makamuuraya makandiisira
mushonga muchikafu nhumbu yangu
ikabva"

"Zvayi" Gumede akadaro


"Mama Ethan ichokwadi here ichi?"
Mambo vakabvunza

"Handizvizivi zvaari kutaura


Masithole ini. Anondinyebera.
Ndingati aende kuti zvigodii
ndingaitirei zvinhu zvakadaro
shuwa?"
Nekuti munoda kuti Mambo abve
pachigaro" ndakadaro vanhu vose
vakaita yohwe yohwe

"Anenyasha" Munya akadaro


Ndakabva ndasimuka

"Ruregerero nekungobudikira zvisina


respect vanhu vakuru vachiri kutaura
asi zvinhu zvataurwa na Masithole
ichokwadi" ndakadaro

"Nei wadaro?" Gumede akabvunza


"Nekuti vakazviita kwatiri
naTafadzwa zvinhu zvakaitika
kusvika tarara muroom imwe chete
ndivo mama Ethan vakakonzera
zvese. Ma picture ndivo vakatora"

"Ndichiitirei zvinhu zvakadaro"

"Nekuti munoda kusvibisa Zita Ra


Mambo munoita zvose izvi kuti
blame igoenda Kuna Mambo
agodzikiswa pachigaro" ndakadaro

"Ari kutaura chokwadi Anen--


Mambokadzi zvose izvi mainini
vanozviita nekuti vanoda kuti Ethan
agare pachigaro" Tafadzwa akadaro

"Ehe ichokwadi kutaura kuno mama


Ethan vane mushonga wavakauraya
nawo mhamha vangu vanoda
kuuraya Mambo mudiki"

"Hatisi kunzwisisa isu mushonga


wakauraya Mai vako?" Vamwe Mai
vakadaro
"Ndofunga kuti mhinduro dzamunoda
Mai Sarah vanadzo ndivo
vangakuudzai zvose" ndakadaro.

Mai Sarah vakasimuka vachichema


vakataura nyaya yose. Munhu wese
aionekwa kuti nyaya iyi yaiva
yamupedza Simba. Kana vari sa
Mambo Ivo kusafenda kwaingova
kusafenda zvavo asi
zvakavavhundutsa kudarika munhu
wese
"Mama Ethan" Mambo vakadaro.
Mama Ethan havana kupindura

"Mainini shuwa mungabva


mandifungira zvakadaro?" Munya
akadaro.
"Handizvi believe kuti une chitunha
pasi. Waimuuraira chii mukadzi wa
Zhou?" Mambo vakabvunza. Mama
Ethan vakatarisa pasi

"Manje uri kuda kuuraya mwana


wangu chiiko newe Mama Ethan?
Mambo vakadaro
Ini misodzi yaiva yakuyerera
ndichifunga funeral ya Mai vangu. Dai
madzimai aya maviri asina kuuraya
Mai vangu dai vari vapenyu so. Dai
ndina Mai vangu so. Ndakaona
Tafadzwa achinditarisa naiyevo aiva
akuda kuchema.

"Nei uchiita zvinhu zvakadaro mama


Ethan?" Mambo vakabvunza
"Ndakaita zvinhu zvandakaita nekuti
ndaida kuti mwana wangu aite
Mambo. Nei ini nguva dzose
ndichigara ndiri kumashure" mama
Ethan vakadaro

"Ndeupi mwana wamaiitira?" Ethan


akabvunza
"Iwe Ethan"

"Ndakambokukumbirai here ini kuti


muite izvozvo? Iko ndiani akakuudzai
kuti ndoda kuita Mambo ini?
Hamuoni here zvinhu zvamoita
husatani chaihwo now makuda
kuuraya mukoma wangu nezvinhu
zvisina basa " Ethan akadaro
"Handizvi believe zvose izvi" Ticha
akadaro

"Mama Ethan nei uchidaro vana vedu


shuwa. Tinoseka newe siku nesikati
asi iwe unofungira vana vedu zvinhu
zvakashata" Mai Munyaradzi
vakadaro
"Hanti ndaiitira mwana wangu here?"
Mama Ethan vakadaro

"Mamlilo ndiwe unopa madzimai


mutongo" Gumede akadaro

"Mama Ethan Mambokadzi wedu.


Zvinhu zvawaita zvakashata wati
disappointa. Mukadzi haarohwi
mudunhu redu asi kana atadza
anopihwa mutongo Saka tichazvisiya
mumaoko emutemo iwe uri kunofira
kujeri" mamlilo vakadaro

Pakamboita runyararo. Ko nei Mai


Sarah vasingatauri nezvavo
vanofanirwa kupihwa mutongo
naivowo ka
"Mai Sarah nyaya yako tainzwa waiva
usingafanirwi kuteerera mama Ethan
yes tinonzwisisa mushonga
wakaudzosera asi waiva
usingafanirwi kunyarara waifanirwa
kutaura mushure mekunge mukadzi
wa Zhou ashaya" Mamlilo vakadaro.
Pakamboita runyararo kwema
minutes pasina anotaura.

"Nyaya yako handizivi kuti ndingati


kudii. Dai kuchinzi wakambozama
kuuraya ukatadza dai tichikupa
mutongo asi hauna kuzviita Saka
ipapo panonetsa hatizivi kuti
mapurisa achakuita sei. Mutongo
wako tichausiira murume wako ndiye
achakupa mutongo. Nyaya yako
taiisa mumaoko e family yako"

"Aewa vakaedza kuuraya mhamha


vangu" ndakadaro ndichichema
ndichisimuka ndichienda kuna baba
ndichivahaga
"Baba hanti Mai Sarah vanofanirwa
kuenda kujeri? Nhasi uno handina
mhamha nekuda kwavo" ndakadaro
ndichichema

"Tinonzwirana newe Mambokadzi


mudiki asi nesuwo tiri kutevera
mutemo" Mamlilo vakadaro.
Ndakaona Mpume achinditarisa
achivhura maziso. Ohh inyaya yekuti
ndanzi Mambokadzi mudiki.
Akanditarisa achibva atarisa Munya.

Mapurisa akasvika akatora mama


Ethan. Ndakatendeuka ndichienda
muroom mandarara ndichinogara
pamubhedha ndichichema.
Mai Sarah vanga vachifanirwa
kuenda kujeri. Vaivapo pairongwa
kuurawa mhamha. Ndichiri kuchema
kudaro ndakanzwa munhu aindibata
mafudzi aiva Taffy. Akauya achigara
pedo neni.

"I'm sorry ndanga ndisingazivi


nezvenyaya iyi ini" Taffy akadaro

"Uri kudei pano Tafadzwa? Hanti


ndiwe wandiudza kuti ndisiye
kukuteverera , Saka iwe uri kudei
pano"

"Hanti uri kuchema here? Ndauya


kuzokunyaradza"

"Ndamboti ndoda kunyaradzwa newe


here ini? Ibva pano Tafadzwa"
ndakadaro ndichichema

"Okay ndakuenda Sara uchichema


kana waneta urare" Tafadzwa
akadaro achichema

*Nompumelelo*

Vanhu pavakadzosera Munya


pachigaro ndaiva ndisisazivi kuti
ndiite sei. Ndiende here or ndigare?
Iko kugara pano ndinenge
ndakagarira ani sezvo Munya ava
nemukadzi.
"Mama ini ndakufanirwa kuenda"
ndakadaro. Portia akauya achigara
pandiri

"Popo ndichauya kuzokuona ini


ndakufanirwa kuenda"
"Mhamha muchienda kupi daddy
varipo hanti" Popo akadaro

"Mwana ari kutaura chokwadi


muroora tose tinoziva chii chakaita
kuti uende" Mai Munya vakadaro
"Asi mhamha Munya ava n--"

"Tinoziva kuti Munya ava nemukadzi


asi ndiwe mukadzi wa Munya
wekutanga Saka unofanirwa
kudzoka pamba pako" mamoyo
akadaro

"Ichokwadi Mambokadzi musha


wako uyu Saka dzoka kumurume
wako. parizvino Munya aenda
kunotaura na baba achauya achitaura
nemwi" Mai Munya vakadaro.

"Okay" ndakadaro

"Mhamha huyai ndikuratidzei mbatya


dzandatengerwa na daddy" Portia
akadaro
"Portia hazv--"

"Enda muroora" Mai Munya vakadaro


vachinyemwerera.
Portia akandidhonza tichienda mu
room ma Munya. Patakangopinda ma
memories angu na Munya akauya
ose. Ndakaona misodzi ichiyerera
kwandiri. Ndakaipukuta
nekukurumidza. Portia akaburitsa
mbatya dzake nezvidhori
achindiratidza

"Maona kuti baba vatitengetei" Portia


akadaro
"Zvakanaka Popo"

"Ndava princess manje daddy vadaro"


ndakaseka
"Ohk Princess dzakanaka"

"Good mama, Saka imwi mucharara


kupi umu munorara mainini
Anenyasha?"

"Ah pfekedza mwana wako Ari


kutonhorwa"
Portia akaseka

*Anenyasha*

Zvinhu zvose zviri kuitika ndiri kuona


sekunge ndiri kurota pamwe
ndichapepuka. Ndakatora mbatya
dzangu ndichienda mukamuri mangu
ndakawana Portia na Mpume
vakagara pa bed. Mpume
pandakapinda akasimuka

"Uhhm Portia ndiye andidhonza


achida kundiratidza zvinhu
zvaatengerwa na baba vake"

"No problem" ndakadaro


"Regai ndiende ini" Mpume akadaro
achida kubuda asi Munya akabva
apinda

"Garai pasi ndoda kutaura nemwi


muri vaviri" Munya akadaro takagara
pasofa
"Ndinoziva kuti zvinhu hazvisi right
pamuzinda. Mandlovu sorry
nezvinhu zvakaitika pana Mai vako"
Munya akadaro

Handina kumupindura ndaiva


ndatononokerwa nekunzwa zvaaida
kutaura
"Mandlovu sezvo uchiziva kuti taiva
takachata na Masithole I mean
takachata vanhu vakuru vati asaenda
achiri muroora wepamusha pano"
Munya akadaro

"Iwe uchiti kudii?" Ndakamubvunza


Munya akanditarisa achishamisika

"I'm sorry Ane nezvandichataura asi


ndiri kubvumirana navo"

Ndakarohwa nehana ndichitarisa


Munya
"Ndinoziva kuti zvicharema kwamuri
muri vaviri asi ndinokuvimbisai
ndichakubatai zvinoyenzana
sevakadzi vangu"

No no no haisiriyo life yandakati


ndinoida ini. Handina kumbobvira
ndakafunga nyaya ye barika.. chero
kuhope chaiko handina kumborota
nezve barika ini.

"Ndinofunga kuti mandinzwa" Munya


akadaro

Hapana akapindura
"Mandlovu, Masithole "

"Ndakunzwa" Mpume akadaro

"Ndakunzwa " ndakadaro.


Zvichakadaro pakapinda vashandi

"Tatumwa nevanhu vakuru vati tiuye


kuzotora mbatya dza Mambokadzi
mudiki "

Saka ndini ndiri kubuda muno? Ko


ndini here ndakati mama Ethan
vadzinge Mpume zvandava kufira
zvivi zvavo

"No endai henyu ndichadzitora


ndega" ndakadaro misodzi ichiyerera

Ndakasimuka misodzi ichingoyerera


ndichienda pa wardrobe ndichitora
mbatya dzangu ndichienda mune
rimwe room. Munya akanditevera.
"Ane"

Misodzi yakabuda ichiteverana

"Ndoda kuenda kumba ini" ndakadaro


ndichichema
"Ndokumbira undipe mukana
ndinoziva kuti uch--"

"Munya ndibvumire ndiende kumba


please handingazvigoni ini izvi"
"Hanti unoziva kuti hazvingaitiki
izvozvo "

"Inga Wani mukadzi wako adzoka"


"Newevo uri mukadzi wangu"

Ndakasimuka ndikamusiya akagara


pamubhedha

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/GdHrz7
Wozt1LxgvKqg80zV

*From chapter 1 pindai umu ȯǤȯ


ǤȯǤ*

*ANENYASHA*
*Written by: Makalulue*

*Edited by: Ellena*


*Chapter 14*

*Anenyasha*

*One month later*


It's been a month now ndakagara
pabarika iri asi moyo wangu haupo
pamusha pano uye Mpume ane moyo
wakanaka. She is been so sweet to
me asi ndichiri mudiki pazvinhu
zvose izvi, ndiri kurarama hangu
pamusha apa asi moyo wangu hausi
pano. Chero ndakagara naMunya
ndinonzwa kunge ndakagara ndega
nekuti ndinobva ndatotanga kufunga
zvinhu zvaanoita kumukadzi wake
and atanga kunditarisa neimwe nzira.
Sezvo ndisati ndada kurara naye,
handinga rasikirwe nehumhandara
wangu ini nezvinhu zvandisingazivi
kuti zvichalaster here kana kuti
kwete. Nemunhu wandaizviudza kuti
ndowirirana naye mufamly umu
andichinjira adistancer kwandiri tave
kungotaura apo neapo. Shamwari
yangu mabook
Tafadzwa anoita distance kwandiri
asi achiri kubhadhara zvidzidzo
zvangu ndinomutenda zvakanyanya.
Nguva dzave kuma6 ndiri muroom
mangu ndichangopedza kugeza.
Munya anobva apinda akabata
something

"Ane"
"Urisei?"

"Ndiri right, sorry ndaenda wakarara


pane basa randanga ndichifanirwa
kuita"
"Okay no problem"

"Ndakuvigira something" Munya


akadaro achiswedera pedo neni
achibuda nicklace
"Handizivi uchaifarira here" Munya
akadaro achindipfekedza

"Woow I love it"

"Shuwa here"
"Yaaa ndinotenda zvakanyanya"

"Ndinoziva kuti zvinhu zviri kuitika


pano hausi kuwirirana nazvo pakati
pangu naMpume"
"Mukadzi wako hapana zvandingaita
ndatogamuchira zvose"

"Asi hausi right Ane"


"I'm sorry kana zvichizosvika kwauri
neimwe nzira. Look Zvayi ndinoziva
kuti Mpume mukadzi wako and
mukadzi wako wekutanga uye
munodanana zvakanyanya so ini
handina problem nazvo they is no
need yekuti uedze kundifadza. Kana
muchida kumutsira muchato wenyu
it's okay handina problem nazvo, I
think ini ndinofanirwa kuenda manje
zvakawanda zvinhu zviri kuitwa
kukitchen" ndakadaro ndichibuda
ndichienda kukitchen
Ndakawana Mpume naMaidei
vakwiya rukweza rwedoro

"Hey unokwanisa here kukuya?"


Maidei akabvunza
"Handizivi ini asi ndichazama"
ndakadaro

"Are you okay?" Mpume akabvunza

"Yaaah" ndakadaro
"Yoooh nhasi kubva makuseni
handisati ndambomuona Taffy"
Maidei akadaro

"Ndamutuma kutown kuti


anonditorera Bridget" Mpume
akadaro
"Yoooh munin'ina wako
ndakamuguma kare" Maidei akadaro

"Neniwo ndakamuguma kare ndanga


ndichingotaura naye pafoni chete"
Mpume akadaro tichikuya rukweza
Tichiri busy Taffy akapinda neumwe
musikana vakafarirana naMpume
vachihagana

"Bridget" Mpume akadaro


"Sisi" Bridget akadaro

"Oooh my young sister ndafara


kukuona" Mpume akadaro
"Yoooh Bridget wakura kudai?"
Maidei akabvunza

"Ndofanirwa kukura handiti mazuva


ari kufamba here" Bridget akadaro
achiseka

"Wava nemakore mangani manje?"


Maidei akabvunza

"23 years" Bridget akadaro

"Haa wakura zveshuwa" Maidei


akadaro
"Thanks Taffy" Mpume akadaro

"You're welcome" Taffy akadaro


"Haana kukunetsa here?" Maidei
akabvunza

"Dai uchitobvunza ini kuti haana


kundinetsa here" Bridget akadaro

"Yoooh ndatadzei manje?" Tafadzwa


akabvunza
"Uyu anonzi Anenyasha" Mpume
akadaro

"Hey Anenyasha" Bridget akadaro


"Hey" ndakadaro

"Mukadzi waMunyaradzi" Mpume


akadaro
Bridget akatarisa Mpume
achishamisika

"Hoo okay" Bridget akadaro

"Huya ndinokuratidza muroom


yauchashandisa Bridget" Taffy
akadaro
"Ooooh thanks Taffy" Bridget akadaro
vachienda naTafadzwa

"Vava ava" Maidei akadaro achiseka


Tapedza kukuya rukweza ndakaenda
muroom mangu ndakavhara door
ndakatora mabook angu ndichiedza
kuverenga asi ndakatadza ndakabva
ndasiya mabook nekuti handinga
zvimanikidze kuverenga
zvisingabvumi. Ndakatora foni yangu
ndichifonera Ngoni kubva zvaave
kugara kuHarare anenge ave
kundikanganwa kuti akandisiya
kumashure
"Mutwin" Ngoni akadaro

"Hapana nezvemutwin apa nei wave


kusandida?"
"Unoziva hazvisirizvo sweetheart
unoziva here zvinhu
zvandakatarisana nazvo manje"

"I'm sorry, uri mupenyu here?"

"Ndiri mupenyu urisei iwe?"


"Handisi right ini handifungi kuti
ndichararama ndakadai"

"Hezvo usataura uchidaro"


"Handifungi ndichararama hupenyu
uyu handina kumbobvira ndashuvira
kurarama hupenyu hwakadai"

"Asi unoramba ka kana ndichida


kuuya kuzokutora"
"Unoziva newewo hazvingaitiki
izvozvo"

"Hapana zvinhu zvisingaitiki


Anenyasha unofanirwa kubva
pamusha apa"
"Zvinhu zvose zvandiri kuita ndiri
kuitira baba kana ndikaenda ndivo
vachasara vachisangana nezvikukutu
ndizvozvo zvinhu zvandisingadi"

"Saka iwewe unoda kugara ipapo


kwehupenyu hwako hwose here?"
"Ayehwa Ngoni tichazotaura pane
munhu ari kugogodza padoor"
ndakadaro ndichikata foni ndichienda
kunovhura door vaiva mai vaMunya

"Mamukasei mhamha" ndakadaro


ndichinogara pamubhedha
"Uri kunzwa sei"

"Zvakanaka mhamha"

"Ndinoziva kuti barika rinorema sei


asi unofanirwa kuzvigamuchira
uchajaira zvako. Nesuwo zvairema
asi nekuti taida Zvayi takashingirira"
"Ndiri kukunzwai mhamha"

"I'm sorry mwanangu nezvinhu


zvakaitika pana Mai vako"
"Haisi mhosva yenyu mhama uye
haisi mhosva yemunhu"

"Okay mwanangu rega ndiende ini"


mhamha vakadaro vachibuda
vachienda
*TAFADZWA*

Hapana chinhu chinondibhowa


sekugara pamusha pano nekuti
ndinenge ndichitumwa ndichiitiswa
zvose asi chinhu chinondinakidza
ndechekuti zvapera zvose doro
rabikwa ndanga ndanzwa
nekungotumwa uku neuku makumbo
anga akurwadza. Manje
ndakazvigarira hangu muroom
mangu ndiri kumwa doro rangu
ndakabva ndasimuka ndichienda
muroom maBridget

"Hey kubva wagara wega


kwakanaka?" Ndakabvunza

"Ndiri bored mhani ndaneta


nekushanda"
"Pane chinhu chichakuita kuti urelax"

"Chii ichocho idoro right?"


Ndakaseka. "Ndiro rega raunoziva
here?"

Akabva asimuka tichienda muroom


mangu
"Woow Taffy doro rose iri"

"Haaa rakawanda here doro iri


imagine I was drinking alone manje
ndawana shamwari yekumwa nayo
zvakuendeka" ndakadaro ndichivhara
door kuita pasaita munhu
achatikanganisa pakumwa doro redu
"Yooh ndanga ndine stress kuti
ndicharara ndisina kumwa nhasi"

"Imagine pamba pano hapabvumirwe


kuti uvhurire radio pamusoro aaaa
pamusha pano weduwe"
Bridget akaseka. "Ndiko saka ini
ndichida kunovakira kure nepamusha
pano"

"Heee unofunga vanga zvibvuma here


izvozvo?"

"Ko ndinenge ndavakumbira mari


here? Saka vanondirambidza sei
kunovakira kure nemari yangu"

"Hooo ita hako zvawafunga"

"Asi newewo Bridget wakanaka


mhani"
"Newewo wakanaka Taffy"

"Unoziva hapana munhu


akambondiudza nezverunako
rwangu"
"Ndakuudza manje"

"Oooh thanks Bridget ndafara kunzwa


izvozvo, do you have a boyfriend?"
"No handina ini ndaiva nayo
tikaparadzana"

"Ko vakomana vaneiko nei vachisiya


vanhu vakanaka sewe"
Bridget akanyemwerera.

"Munhu akadanana newe anenge ane


luck chairo"

Bridget akatanga kublusher.


Takaenderera mberi nekumwa doro
redu
*Anenyasha*

Yoooh dzave kuma10 ndakarara asi


ndiri kukanganiswa nenoise yeava
vari kumwa doro ndakaneta ini ndoda
kurara. Masikati ndashanda
zvakanyanya saka ndinoda peace
ndiri kunzwa kuti ndiTafadzwa uyu ari
kuita noise neradio yake hanty room
yake riri pedo nerangu here

Mangwana makuseni ndakamuka


ndichienda kukitchen ndakawana
Maidei achigadzira breakfast

"Morning"
"Morning mainini"

Ndakamubatsira nebreakfast kusvika


tapedza Mpume aiva asati asvika.
Angati kudii handiti waiva muchato
wake nezuro. Takaisa chikafu
patafura vanhu vose vakauya kunze
kwaTafadzwa naBridget

Maidei akandikumbira kuti


ndinomudana. Ndakaenda muroom
maBridget asi ndakamuwana asipo
mubhedha waiva clean uchiratidza
kuti hauna kumborarwa kana
kuwarurwa
"Arara kupi ayy?"

Ndakabva ndaenda muroom


naTafadzwa ndakasvika
ndichigogodza asi hapana akadaira
pandakabata door raiva rakavhurwa
ndakapinda mukati ndakavhunduka
ndichiona mbatya dzaTafadzwa
naBridget dzakazara pasi ivo vari
vaviri vakarara pamubhedha Bridget
aiva akarara pachipfuva
chaTafadzwa.

Ndakambofunga kubuda ndiende asi


kana ndikadaro patafura vanenge
vachingobvunza nezvavo.
Ndakafonera Tafadzwa ndakaisa foni
munzeve dzake kuti ainzwe.
Zveshuwa akainzwa achibva amuka
akashamisika achindiona
"Hanzi ndiuye kuzokudanai"

Tafadzwa akabva atomutsa Bridget


ipapo apa maziso angu aiva
asingabvi pambatya dzaiva pasi.
Paiva nemapant chaiwo
"Tiri kuuya, Bridget muka unogeza"
Tafadzwa akadaro

"Oooh Taffy ndakaneta ini" Bridget


akadaro
"Regai ndikusiyei ini" ndakadaro
ndichibuda muroom mavo
ndichienda kwaiva kwakagara vamwe

"Wavawana here?" Maidei akabvunza

"Ehe Tafadzwa anga akarara asi


Bridget anga achiri kugeza"
ndakadaro

"Oooh thanks" Maidei akadaro

Takatanga kudya Tafadzwa


naBridget vakauya vachitevera
vakasvika vachigara pasi
"Morning everyone" Bridget akadaro

"Morning marara sei" Maidei akadaro


"Tarara zvakanaka" Bridget akadaro

"Nei uchimuka nguva dzino Bridget?"


Mpume akabvunza

"Sisi ndanga ndakaneta nezuro


ndaishanda zvakanyanya" Bridget
akadaro

"Vashanda zvakanyanya vana


Mambokadzi" Mamoyo akadaro

"Ivo vashanda shuwa" mai


Munyaradzi vakadaro
Tafadzwa aingonditarisa hameno kuti
ari kunditarisirei. Tapedza kudya
takaenda kunosuka ndiro Bridget
aingonyemwerera akatarisa
Tafadzwa

"Bridget chii newe zvauri


kungonyemwerera nonstop chii
chakufadza?" Mpume akabvunza

"Haaa sisi munhu haachafanirwi


kunyemwerera here c'mon" Bridget
akadaro

"Ayewa ndanga ndichingobvunza


chete ini hapana zvandataura"
Mpume akadaro

Tapedza kusuka ndiro ndakafunga


kuenda muroom mangu sezvo ndine
assignment yandinofanirwa kunyora.
Jesus vachati ndiri kupi kana vasinga
ndione kukitchen
"Mainini Maidei"

"Gulez"

"Pane zvinhu zvandadya nezuro saka


handisi right mudumbu mangu
handisi kumunzwa mushe"

"Oooh sorry wamwa mapiritsi here?"

"Yaaa ndambomwa"
"I think enda unozorora nekuti
hapana zvauchaita kana uchirwara"
Munya akadaro

"Thanks" ndakadaro ndichienda


muroom mangu ndakasvika
ndichizvivharira mukati nekuti
ndikangorega kukiya chete
ndinobatwa kuti ndiri kudzidza
Ndakatanga kuvhura mabook. Eyi
haisi life iyi yandiri kurarama
ndakagara ndichiita assignment
yangu kwemahour matatu.
Zvichakadaro ndakanzwa munhu
aigogodza ndakaviga mabook angu
ndichinovhura ndakashamisika
ndichiona ari Tafadzwa
"Hey" ndakadaro apa aiva akabata
plastic raiva nechikafu

"Uri kudei pano?"


"Ko haufanirwi kunyora assignment
yako here?"

Ndakaenda kunotora mabook.


"Ndanga ndamaviga ndanga
ndisingazivi kuti ndiwe" ndakadaro
ndichikiya door
"Ndakuvigira chikafu ndinoziva
wanga uchifunga burger"

"Thanks"

"Wave kupedza here?"


"Ehe hazvifanani waziva sei kuti ndiri
kunyora assignment?"

"Forget about that"


"Thanks nezvinhu zvawandivigira"

"You're welcome"

"Unoziva handikwanise kunyora ini


pane munhu pedo neni"
"Wave kundidzinga?"

"Ayewa handisi kukudzinga I was just


saying"
"Okay see you later"

"Okay thanks"

Tafadzwa akaenda ndakadzungudza


musoro. Handichazivi kuti Tafadzwa
kuti munhu werudzii manje aah vanhu
vanoshamisa panyika ino.

*Munyaradzi*

Ndinoona sekunge Ane haasisina


mufaro manje. Yes haana
kumbobvira akafara nekuva pano asi
zvamanje zvava worse.
Handizivi kuti ndofanirwa kuita sei
kuti afare uye aone kuti ndinomuda.
Pandakadzoka ku town ndakaenda
mu room make ndakamuwana
akagara pa bed

"Ane"
"Hmm"

"Uri sei?"

"Mushe sei iwewe?"


"Ndiri right ndanzwa kuti uri kunzwa
mudumbu"

"Yah wanga uchirwadza asi ndamwa


mapiritsi wava nani now"

"Ohh okay ndanga ndakuvigira amwe


aya" ndakadaro ndichimupa plastic
"Ndinotenda "

"Anenyasha "

Akanditarisa
"Ndinokuda Ane uye ndinokuvimbisa
ndichava newe kwehupenyu hwangu
hwese"

"Zvinonakidza kuva nevakadzi vaviri


hanti?"

"Nei uchidaro?"
"Ndiri kungobvunzawo hangu"

"Aewa hazvinakidzi pari zvino


zvinondirema asi ndinokuvimbisa
zvinhu zvose zvichafamba mugwara"

"I know"
Ndakakurura shangu sezvo
ndakurara. Ane akanditarisa

"Chii?"

"Ndinoziva kuti zvandichataura


zvinogona kusapinda mushe kwauri
but please"
"Please yeyi?"

"Nhasi handisi kunzwa mushe


besides dumbu ndokumbira unorara
Kuna Mai Jayden zvanhasi"

"Handina zvindichakuita ini"


"Please Zvayi"

Ndakamutarisa kwenguva yakareba


ndichibva ndasimuka ndichibuda
ndichienda Kuna Mpume
"Asi pane zvawakanganwa?" Mpume
akabvunza

"Ndauya kuzorara"

"Ko Ane?"
"She need space"

"Space"

"Ati haasi kunzwa mushe Saka anoda


kuva ega"
"Ohh okay"

"Good night" ndakadaro ndichipinda


mumachira ndichirara

*Anenyasha*
Zvinhu zvandaita I know Munya
zvamurwadza asi neniwo hapana
zvandanga ndichikwanisa kuita
ndinofanirwa kuverenga.

12 yehusiku yakachaya ndiri busy


ndichingoverenga. Ndakanzwa
munhu aigogodza

"Ndiani?"
"Ndini Taffy Ane vhura"

Ndakashamisika Tafadzwa nguva


dzino. Ndakaenda kunomuvhurira

"Tafadzwa dai Munya anga aripo


uchigogodza nguva dzino?"
"Rongedza mbatya dzako tiri kuenda"

"What?"

"Ndati rongedza mbatya dzako tiri


kuenda manje"
"Asi b--"

"Unoda here kurarama life iyi?"

Handina kumupindura
"Uno enjoyer life ye barika here?"

"Aewa"

"Saka hande"
"Asi baba vach--"

"Hapana zvichaitika pana baba vako


hande"

Ndakaenda pa wardrobe ndichitora


mbatya dzangu. Tafadzwa akandipa
envelope mukati maiva nebepa raiita
se file
"Chii ichi?"

"Divorce paper sayina uchasiya


pamsoro pe bed Munya achariwana
ipapo"
Ndakatora bepa ndichisayina
ndichiisa pa bed. Taffy akatora bag
rangu ndichimutevera tichienda
kumota. Ndakapinda mukati asi
ndaitya, ndaiita kurohwa nehana.

"Tikuenda kupi?"
"You trust me right?"

"Yes but tikue--

"Good" Tafadzwa akadaro achimutsa


mota tichienda kwaizivikanwa naiye
chete
Taffy akarova mota kusvika tapinda
mu town. Chii chaizvo chandiri kuita?
Ndingatora decision just like that?
What if pachizoitika something Pana
baba. Iko vachanzwa sei kuti ndatiza?
No ways kutiza hakuiti

"Tafadzwa misa mota"


"Why?"

"Ndati misa mota Tafadzwa"

"Chiiko Ane"

"Ndidzosere kumba"
"Huh!!"

"Ndati ndidzosere kumba"

Hauchadi kurarama life yako? Hauyidi


freedom?"
"Ndozvida zvose izvi asi kwete
nenzira yakadai ndidzosere
kumashure "

"Unopenga here Ane?"


"Yes ndopenga ndidzosere kumba.
Handidi kuenda especially newe"

"What do you mean "

"How can I trust you Tafadzwa?


Kuvimba munhu akafanana newe,
munhu anongorara chero
nemusikana upi zvake. Huh!!
Mukomana anoita zvinhu
zvisinganzwisisike!!"

"Ndezvipi zvinhu zvisinganzwisisike


zvandiri kuita ini? Look Anenyasha
ndiwo mukana ugu haudi wakawana
zve umwe baba usanetseka navo
hapana zvichaitika pavari"

"Handingakwanisi kufamba
nemhondi ini"

"Ndiri mhondi ini?"

"Yes Fanuel Zvayi hanti paunoita


hunhubu hwako unoshandisa Fanuel
Zvayi. Unoda kunondiisa pama drugs
Ako!!!!"
Tafadzwa akaridza tsamwa achirova
steering

"Anenyasha!!!" Tafadzwa roah


ndakajamba ndichivhunduka

"Ndichakudzosera kumashure asi


ukangokumbira zve rubatsiro rwangu
ndichakupa gwati rembama"
Handina kumupindura akamutsa
mota akudzokera kumashure

"Nxaa kubatsira mapenzi"

Aewa handingaiti zvinhu zvakadai


what if zvichizondiomera kumberi?
Ndichachemera Ani? . Tafadzwa
aipupuma furo nehasha . Takasvika
kumba ndikabuda mumota
ndichipinda mu room mangu
ndichibudisa mbatya
ndichidzidzorera pa wardrobe.
Tafadzwa ndakamusiya mumota.

Ndakatora divorce paper ndichiisa


pama file angu ndichikwira pa bed
ndichirara asi hope dzakaramba
kuuya ndakatozoita zvekutamba
music nema earphones kuti
ndisafunga zvandanga ndakuda kuita
Makuseni chinhu chandakatanga
kuita kutsvaga Munya kusvika
ndamuwana

"Asi pane zvaitika?" Munya


akabvunza

"Ndokumbira kutaura newe private"


ndakadaro tichienda mu room mangu
tichigara pa bed

"Munya kubva zvandakauya pano


handina kumbobvira ndakambo
complainer nechinhu unondibata
zvakanaka uye I appreciate zvauri
kundiitira hapana pandingati
wakambondirwadzisa"
Munya akanditarisa achishamisika.

"Ndinoziva kuti zvinhu


zvandichataura zvinorema asi
ndokumbira kuti u understand (e)"

"Ndogara ndichi understand (a)"


"Zvayi ndakutadza manje ini imba
ndaitadza ini life yandiri kurarama
haisiriyo yandaida kurarama
handichakwanisi kumanikidza manje.
Ndokumbira undisunungure please "

"Ane unoziva here kuti ndinokuda?"


"Kundida kwako hakubatsiri chinhu
Munya. Saka ini ndakufanirwa
kurarama life yako nekuti iwe
unondida?"

"Chii chandatadza kwauri manje?


Kudzosa Mpume kwandaita here?"

"Aewa hazvisirizvo chero paaiva


asipo ndaiva ndisina mufaro asi
manje zvava worse I can't anymore "
ndakadaro ndichigwadama mberi
kwake ndichibatanidza maoko

"Please Munya ndokumbira


undisunungure handifi ndakafara
pamusha pano"

Munya akatarisa mudenga


"Asi uchiri mukadzi wangu"

"Tinozvichinja Munya tinoita divorce "

Munya akanditarisa achivhura


maziso
"Divorce?!! Hakuitwi divorce Kwa
Zvayi "

"Ndiuraye munyaradzi handichadi


zvepano ini divorce ndiyo yandava
kuda" ndakadaro ndichisimuka
ndichibuda ndichienda ku kitchen
ndakawana vana Maidei
vachigadzirira breakfast na Mamoyo
vaivapowo ndakaswedera pavari
"Mambokadzi uri right?" Mai Munya
vakabvunza

"Aewa handisi right mhamha "

"Chii manje"
"Ndakutadza ini mhamha zvepano
ndazvitadza"

"Unorevei kanauchiti wakutadza"

"Handichadi kuva pano handisi kufara


nekuva pano "

"Asi pane zvaitwa na Munya


zvausingafariri?"

"Handina kumbobvira ndakafara pano


mhamha"
"Ndokumbira utaure na Munya
umunzwe anoti kudii"

Ndakatarisa pasi handina kupindura

"Ndokumbira usakurumidza kutora


decision yauchazvishora nayo"

"Ehoyi" ndakadaro ndichienda mu


room mangu ndakawana Munya
asisipo ndakazvikandira pa bed
ndichichema

Handichadi kuva pano ini. Ndakatora


foni yangu ndichichema ndichifonera
baba
"Baba ndaneta manje ini handichadi
kuva pano"

"Dzababa heey heyy usachema


vakuitei?"
"Hapana baba handichadi zvepano
handina kumbobvira ndakada kugara
pano now ndaneta ndokumbira
muuye kuzonditora "

"Okay okay ndiri kuuya"

"Shuwa here baba?"


"Kana zviri izvo zvauri kuda ehe ndiri
kuuya kuzokutora"

"Ndinotenda baba" ndakadaro


ndichikata foni. Portia aiva akamira
pa door ndakakurumidza kupukuta
misodzi akaswedera pandiri

Mainini muri kuchemei?"


"Handisi kuchema nana ndikunzwa
musoro"

"Manga muchitaura na baba venyu


muchiti vauye kuzokutorai
hamuchadi kugara pano isu
makutisiya here"
"Aewa ndichakushanyirai"

"Yes yes" Portia akadaro achibuda

*Hours later*

It's been a hours ndafonera baba,


ndakanzwa mota yaidhuma panze,
ndakanodongorera nepa window
ndakaona vari baba vaipinda
pamuzinda.

Ndakarohwa nehana. I wonder chii


chichaitika Mwari wangu? Ndaneta
ini nezvepano handichadi. Dai
vakandibvumira kuti ndiende.
Zvichakadaro mushandi akapinda
achiti ndiri kudamwa kumuzinda.
Jesus ndaiva ndoita kubvunda chaiko
handizivi vachati kudii
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/GdHrz7
Wozt1LxgvKqg80zV

*From chapter 1 pindai umu EǥE


ǥEǥ*
*Anenyasha*

*Written by: Makalulue*

*Chapter 15*
ANENYASHA

Ndakaenda kumuzinda sezvo ndaiva


ndadanwa hana yaita kurova asi
chero pakaitika chii handifanirwi
kupinza baba muma problem
ndakasvika mumuzinda mune vanhu
vakuru vese vekwa zvayi ndakasvika
ndikagwadama pasi ndichitarisa pasi
nekuti ndaitya kuvatarisa mumaziso
" Mandlovu tanzwa chikumbiro chako
chekuti wave kuda kudzokera
kumusha kwenyu pano pamusha
hauna mufaro " mambo vakadaro

Ndakaona Munya achinditarisa huso


hwake hwaionekwa kuti hwaiva
hwakazara tsitsi asi neniwo hapana
zvandaikwanisa kuita hupenyu
hwangu uhu handidi kukanganisa
hupenyu hwangu ne zvinhu
zvandisingazivi kuti zvichaguma kupi

" Asi pane zvinhu zvaitwa na Munya


zvisingakufadzi " mambo vakabvunza
" Aiwa baba hapana zvaitwa na
Munya chete ini handisi kufara
nekuroorwa kwandakaitwa uye
handina kumbobvira ndakafara "
ndakadaro
Pakamboita runyararo " uri mwana
wangu iwe saka kana ndichikunzwa
uchitaura mashoko akadai haandibati
zvakanaka semubereki zviri
kundiremera kuti ndizvitambire kuti
mwana wangu agare asina mufaro
napo " baba vakadaro

" Tirikukunzwai Zhou zvauri kutaura


hapana zvatingataura asi toda kuziva
kuti chimbori chii chisiri kufadza
mambokadzi " Mamoyo vakadaro

" Tairwa hondo iyi yekuroodza


mambokadzi asi manje ndoona
sekuti inofanirwa kupera " mambo
vakadaro
Ndakavatarisa ndisinga believe
zvavaitaura

" Munya " mambo vakadaro


" Zvayi " Munya akadaro

" Ini ndoona sekuti yava nguva yekuti


timusiye mandlovu aende " mambo
vakadaro
Ndakavhura maziso " ndinoziva kuti
nyaya ye divorce haishandi pamusha
pano asi izvi tingazvitora sekutenda
kwezvinhu zvinhu zvaakatiitira
mumhuri muno vana vavapo manje
nekuda kwake zvinhu zvaari kuda
nesuwo tinofanirwa kumupa "
mambo vakadaro
" Ndiri kukunzwai Zvayi " Munya
akadaro

" Unoziva kuti chii chaunofanirwa


kuita " mambo vakadaro
" Eeee baba " Munya akadaro

" Ndinofunga kuti tapedza kutaura


manje Zhou enda hako kumba
kwako mandlovu achakutevera nekuti
ndinoziva kuti pane zvinhu zvaachiri
kuda kugadzira " mambo vakadaro
" Ndinotenda zvakanyanya Zvayi "
baba vakadaro vachisimuka
vachienda

Apo mufaro waiva wavepandiri vaiva


usingatsananguriki
I can't wait kudzokera ku Harare
kunopedza zvidzidzo zvangu ndicho
chinhu chega chiri mupfungwa
dzangu

Ndakasimuka ndichienda mu room


mangu ndakasvika ndichiringedza
zvinhu zvangu zvose zvichakadaro
Munya akapinda

" Ane "

Ndakamutarisa
" Handingakwanisi kukuvharira
mufaro wako wanyatso taura kuti
pano hauna mufaro asi pane chinhu
chaunofanirwa kuziva kuti ndinokuda
zvakanyanya Ane ndichagara
ndichikuda idiki nguva
yandakakwanisa kuva newe
muhupenyu hwangu asi zvinhu
zvawandiitira zvihombe zvakawanda
zvinhu zvawakachinja muhupenyu
hwangu saka naizvozvo ndinotenda
zvakanyanya kunyanya pakudzosa
vana vangu " Munya akadaro
" Iam so sorry " ndakadaro

" I understand asi unofanirwa kuziva


kuti sezvo wave kuenda pane chinhu
chawakachinja muhupenyu hwangu "
Apo ndaiva ndisingazivi kuti ndiite sei
akandibatsira kurongedza mbatya
dzangu tichibva tadziendesa kumota
akandi haga vese ne vana
vakandihaga sezvo ndainge ndava
kuenda
" Mainini handiti mati
muchatishanyira " Portia akadaro

" Yaaa ndichakushanyirai " ndakadaro


" Ooooo mufambe mushe mainini
tichakufungai " Portia akadaro

" Neniwo ndichakufungai " ndakadaro


ndichihaga maidei
" Zveshuwa wave kuenda" Maidei
akadaro

" Yaaah ndinofanirwa kuenda "


ndakadaro ndichitarisa Mpumi
" Let's hope kuti handisiri ini
ndakuitisa kuti uende " Mpume
akadaro

" Aiwa hausiwe handina kumbombira


ndakada kuva pano kubva pekutanga
usambofunga kuti ndiwe waita zvese
izvi " ndakadaro ndichimuhaga

Mambo na mai Munya vakabudikira

" zvinorwadza kana zvinhu zvadai "


Mambo vakadaro
" Kana zvirizvo zvauri kuda no
problem " mai Munya vakadaro
vachindihaga ndichibva ndabuda
mumba ndakadarika Tafadzwa aripa
gedhi
" Usare mushe " ndakadaro

" Ufambe mushe " Taffy akadaro

Ndakanopinda mumota ndikawana


Munya atondimirira akamutsa mota
akachaira kusvika anosvika kumba

" Don't worry ma papers e divorce


ndichaauyisa " Munya akadaro
" No need " ndakadaro ndichiburitsa
bepa randaiva ndapiwa na Tafadzwa
husiku ndaiva ndariverenga
zveshuwa raiva re divorce ndakabva
ndamupa akanditarisa achishamisika

" Ooh ko wanga watozvironga kare


izvi " Munya akadaro
" Iam sorry " ndakadaro

" Ndichaaendesa ku court "


" Thank you so much ne kunzwisisa
nekusandimanikidza zvandisingadi
neku understand pa zvinhu zvose "
ndakadaro

Ndakaburuka mumota ndichitora bag


rangu ku boot ndichipinda mukati
ndakaisa bag ndichibva ndadzokera
kunotora zvimwe ndakamuwana
amira padivi pemota

" It was nice kuva newe " Munya


akadaro

" Thank you " ndakadaro


Munya akapinda mumota achiimutsa
neniwo ndakapinda Mumba Paida
akandihaga

" Munin'ina wangu " Paida akadaro


tichihagana
" Sisi ndadzoka " ndakadaro

" Wow ndafara kuti wadzoka


wakuzoenderera mberi ne zvidzidzo
zvako manje "

" Yooooh ndirikunzwa sendiri kurota


kunge ndirikutanga kurarama " Paida
akaseka achindiperekedza
tichiendesa ma bag angu mu room
tapedza kurongedza takaenda mu
room ma baba ndakavawana
vakagara pamubhedha vachiona pic
ramama ndakagara pedo navo
ndichivahaga
" You are the best daddy in the world
"

" Ndinokuda mwanangu " baba


vakadaro vachindihaga
" Ndinotenda zvakanyanya baba
ndinotenda nezvinhu zvamandiitira
ndinokumbira ruregerero
nekukunetsai ndinokuvimbisai kuti
handifi ndakapamha kukunetsai uye
ndichagara ndakazvichengetedza
kusvika ndapedza chikoro "
ndakadaro
" Mangwana chaiwo unofanirwa
kuenda ku Harare ku chikoro
wasarira kumashure zvakanyanya "

" Ehoi baba ndinotenda zvakanyanya "


ndakadaro ndichienda mu room
mangu ndichitanga kufonera
shamwari dzangu ndichidziudza kuti
ndirikuuya

*TAFADZWA*
Aiva masikati ndiri mu room mangu
ndakarara hangu ndakanzwa munhu
achivhura door pandakatarisa aiva
Bridget

" Bridget "


" Hey Taffy kurisei "

" Ndiri right urikudei pano "


" Aiwa ndangoti ndiuye hangu
ndizokuona nekuti mazuva ano
urikundi ignore "

" Ndichiku ignore nei manje "


" Haudi kundiona Taffy paunondiona
unochinja nzira "

" Oooooh eish ndakaneta ndinoda


kurara please " ndakadaro
Bridget akasimuka achinokiya door
achiswedera pandiri

" Can I say something " Bridget


akadaro
" Sho "

" Oooh that night I felt something "


" Something ? Something yei "

" I think ndine ma feelings newe I love


you Taffy "
Ndakabva ndaseka

"ma feelings angu look Bridget


kuchiri early zvakanyanya kuti ungaita
ma feelings ndinokumbira kukupa
advice zvinhu zvauri kuda kuita izvi
zvichakurwadzisa zvakanyanya
nekuti inini handishandisi ma
feelings Buda ipapo pauri kuda
kupinda nekuti uchasara wega zuva
riya taifadzana taiva takadhakwa
saka usazvitora serious plus iwe ziva
kuti haudi kuzosvibisa Zita Ra sisi
vako kana vakaziva kuti pane zvinhu
zvatakaita " ndakadaro ndichisimuka
ndichimusiya ndichienda Kuna mama

" Tafadzwa " mama vakadaro


" Mama mangwana chaiwo
ndirikudzokera ku America pane
zvinhu zvandinofanirwa kuita
zvechikoro "

" Newewo futi wave kuenda " mama


vakadaro
" Ndinofanirwa kuenda mama uye
ndatotaura na baba "
" Okay asi ukurumidze kudzoka
nhaika "

Ndakaseka

" ndichakurumidza asi ndagarisa


pano mama
" Hazvina zvazvinoreva nekuti uri
mwana wangu iwe "
Ndakavahaga " ndinokudai mama"

" Ndinokuda zvakanyanya mwanangu


"
" Okay regai ndimbofurwa ne mhepo
ndichakuonai manheru "

" Uve safe " mama vakadaro

Ndakanopinda mu mota mangu


ndichifonera Anenyasha

" Anenyasha dza baba "

" Urikudei Taffy "


" Nekuti wabva kumba kwedu
handichafanirwi kukufonera here "
" Siyana neni Tafadzwa "

" Oooooh ndanga ndichida kukuudza


chete kuti mangwana ndiri kuenda ku
America "
." saka urikundiudza kuti ndiite sei "

" Hezvo just like that nhai Ane "


" Iwe unoda kuti zviitwe sei!"

"Nhaiwe musikana iwe you are full of


yourself ndikuzama kuva friendly
kwauri fokof mhani ko chiiko newe
uri special neiko iwe usada kuzviita
munhu pa vanhu nxaa tsek maan "
ndakadaro ndichikata phone
ndichimu blocker kwese ibenzi
remwana Anenyasha

*3 MONTHS LATER*

wow my life is back ndave


Anenyasha wekare manje unlike
nyaya dze kuroorwa idzi worse part
pa barika yoooo musha uya ugoti
waiva ne mutemo manje ndiri
kuchikoro ku UZ ndirikuita full time
Tafadzwa haachandibhadhariri ndine
3months ndisingatauri naye
ndinoziva kuti nzira yandakataura
naye last time yaiva isiri right ndaiva
ndabhowekana ndakwedza
kumufonera ndichida kumumbira
ruregerero asi ndaka blokwa ehh
hapana neniwo zvandingaita so yaah
ndakurarama life yangu but
chinondishamisa pa mwedzi mitatu
iyoyi ndinogara ndichatambira 200 us
dollar mu inbucks handizivi kuti
inobvepi pamwe ndi Tafadzwa but
how nekuti anoonekwa kuti
akatobuda mandiri

Ndakagara kudaro foni yangu


yakarira vaiva baba
Zuva hariviri vasina kumbondifonera
vanenge vachida kunzwa ndiri right
here

" Baba "


" Nyasha dza baba urisei "

" Ndiri right baba ndakufunga kumba


chete "
" Nesuwo tinokufunga mwanangu asi
unofanirwa kukanganwa zvinhu
zvakawanda utarisane ne ma book "

" Ndichaita saizvozvo baba "


" Waiona mari yandakuisira here "

" Aiwa ndanga ndisati ndaiona "


ndakadaro ndichitarisa message
ndichibva ndaiona
" Ndaiwana baba ndinotenda baba
zvakanyanya "

" Uzvibate zvakanaka ndinokuda


wanzwa " baba vakadaro
" Neniwo ndinokudai baba
zvakanyanya musare zvakanaka
mumhorese vamwe baba muvaudze
kuti ndinovada "
" Okay nyasha dza baba "

Ndakabva ndakata phone yangu

"Nicole"

"Hmm"
" Wati unondiperekedza here
kunoona mukoma wangu "

" Yes "

" Ndava ready "


Neniwo ndava ready ndakadaro
tichinokwira kombi tichienda ku flat
ra Ngoni takamuwana ari ega

" Twin " ndakadaro tichihagana


" Twin " Ngoni akadaro

" Kubva wagara wega Mitchy arikupi "


" Arikumba kwavo "

" Ini ndakati handiuyi pano kuzokuona


uri wega "
" Hezvo ko ndiani manje akakosha
pakati pangu na Mitchell " Ngoni
akabvunza

" Aaaaaa ndi Mitchell" ndakadaro


tichiseka

"Ohh sorry uyu anonzi Nicole"


ndakadaro nekuti ndakaona ziso
raaiva ava kumupa.

"Nicky uri sei?"

"Mushe sei iwe?"


"Good ndafara kukuziva"

"Neniwo ndafara kukuziva" Nicky


akadaro tichigara pasi

"Twiny huya undibatsire ne


something" Ngoni akadaro tichienda
ku kitchen. Ndiri kumuona hangu
Ngoni zvaari kufunga.
Takasvika ku kitchen ndikavhura
fridge ndichitora ma drinks iye
akabudisa doro rake

"And then" Ngoni akadaro ndakaseka

"Hayi Ngoni ndomuudza michy"


"Haay maan shamwari yako
yakanaka"

"I know kuti akanaka asi haungahuriri


Mitchy mberi kwangu"
"Hayi maan Ane ungabva wandidaro
shuwa?"

"Unoziva newevo kuti handidi chinhu


Pana Mitchy so zvinhu zvaunoda
kuita haubudiriri"

"Unoona manje Ane"


"No brother"

"But iye imboma iwee"

Ndakaseka ndichitendeuka
ndichienda ku sitting ndichiisa ma
drinks pa table
"Saka wandidanira kuzomwa ma
drinks chete?"

"Patience pays"

Ndakaseka I know kuti anditsamwira.


Boys ayy . Atozvionera musikana
Pana Nicky. Kwete kuti anomuda asi
kuti musikana ambodarikirei mberi
kwake. Ndo problem yevakomana
kungoona musikana ruchiva
rwatovapo. Zvichakadaro takanzwa
huta panze. Ngoni akabuda akadzoka
nenyama yakagochwa ne Burger
uhhm yummy

"Wow that's my brother"


"I'm out of mood" Ngoni akadaro
ndakaseka

"Relax big brother moyo wako


utsiure" ndakadaro

Ngoni akapedzisira akuseka. Hapana


munhu achahurira Mitchy
ndakatarisa beside handingabvumi
kuti Ngoni atambisire Nicky nguva
coz ndomuziva anoda Mitchy
.

*Bridget*

I don't believe zvinhu zviri kuitika


pandiri? Shuwa ndichaita sei? Nei
zvaitika pandiri? Mpume achati kudii
paachaziva nyaya iyi? Ndakatora foni
ndichimufonera.
"Hey sisi"

"Bee uri sei?"

"Mushe sisi?"
"But unenge usiri right "

"Maya I'm fine I miss you guys


nevana vangu"

"Tishanyire ka"
"Never musha uyo mitemo yacho
handingaigoni" ndakadaro
ndichinyebera kuseka.

Chinangwa changu chaiva pakuda


kubvunza kuti Tafadzwa aripo here?
Pamwe akadzoka who knows? Kana
ndichimufonera foni inorira kusvika
yaenda pa voicemail.
"Ahh Rega hako nekuti munhu
waunositamba naye haapo"

"Haana kudzoka?"
"Kubva zvaakaenda haasati adzoka"

"Okay sisi I miss you nevana vangu"


ndakadaro ndichikata foni

Ndakaedza kufonera Tafadzwa asi


aiva asingadairi ma calls angu. I
know Tafadzwa very well nhasi I
Frida Ari kumafaro ko ndozvake ka.
But I need to speak with him
anofanirwa kuziva nyaya iyi. Handizivi
acha react(a) sei paachaziva kuti
ndine pamuviri.

Handizivi achaita sei, ko Mpume


achati kudii? Ohh God ndakazviparira.
Ndakatarisa number ya Anenyasha
ndiye ega munhu aiwirirana na
Tafadzwa pamuzinda. Ndakabva
ndamufonera lucky akadaira fast
"Hello"

"Hey Anenyasha uri kutaura na


Bridge"

"Ohh hey Bridget kuri sei?"


"Mushe Ane please I need your help"

"Help yeyi?"

"Hauna here imwe number ya


Tafadzwa yandinayo haasi kudaira
ma calls angu kana ndichimufonera"
"Ini Tafadzwa ndakaguma kutaura
naye ndichiri kumba kwavo"

"Haa ini ndaiti maiva ma friends ka"

"I think yaiva temporary friends nekuti


akandi blocker kwese"
Ndakakata foni yangu misodzi
ichiyerera. Shuwa ndichaita sei
nenhumbu uyu nekuti Tafadzwa
anofanirwa kuziva kuti ndine pamuviri
pake.

*Tafadzwa*
Takazvigarira nema chinda angu ku
apartment yangu yandogara mu
Harare. Ndakagadzira zvinhu zvose
ku America now ndakugara mu
Harare hangu. Handichadi zvekugara
ku Harare Zimbabwe is my homeland
ndichafira muno. So I think
ndakuzogara permanent muno mu
Harare
Takagara kudaro foni yangu yakarira.
Ndakaikata ndisina kumbotarisa kuti
ndiani. I'm tired ini nemahure
anondifonera nonstop

"Iwe Tafadzwa waona here kuti


wakata call ya mukoma wako" Leroy
akadaro.

Ndakavhunduka ndichitarisa foni aiva


Munya anga achifona
"Shit!!! Dzimai radio zvishoma "

Vakaidzima ndichibva ndamufonera.


akadaira

"Broe"
"Saka iwe wakungokata
tichikufonera"

"Hade broe ndakata ne mistake"


"Kuri sei ku Harare?"

"Kuri bhoo mukoma"

"Nazvino haudi tikutsvagire imba


yekugara, uchasvikepi uchigara
kumba kwe shamwari yako?"
"Don't worry broe I shamwari yangu
iyi haangandirasisi plus handigari
mahara ndinobhadhara rent nekuti
mukada kunditengera imba dzimba
dzekuno dzinodhura"

"Okay Saka kuri sei hako ku Harare?"


"Kuri bhoo mukoma?"

"Gara zviya wakati unoshanda


kuchipatara chipi?"

Ndakabva ndatokata foni same time


machinda akandiseka
"Chii manje" prince akabvunza

"Eyy mibvunzo yacho kumba


inokupedza Simba vanoita sekunge
vanotanga kuona munhu anoshanda"
ndakadaro

"Anoshanda? Wakaguma rinhi


kubasa iwe?" Leroy akabvunza
"Hayi maan newevo ukutowedzera
stress yangu" ndakadaro
ndichinyorera Munya ndichinyeba kuti
ndanga foni yangu yadzima mota
hatina magetsi parizvino.

"Vhura radio Roe" ndakadaro


tichienderera mberi nezvatanga
tichiita.
"So tell me ndiani manje iyeye
wausingadi kudaira call yake" Roe
akabvunza

"Ndeumwevo musikana handidi


kutaura naye zvino iye yoo anofona
every minute" ndakadaro
"Haa dai ndirini ndaisuduruka pauri
nekuti Dineo akangozviziva drama
yacho yowee" Lee akadaro

"Ndeumwevo uyo achandipengesa


ayy mjolo the pandemic"

"Vasikana venyu ava ayy itai zvenyu


handina godo so tell me
wakazosarenda pana Anenyasha"
Prince akabvunza

"Newevo wauyavo neimwe problem


musikana uya haana thanks shame
dzungu rakamuwandira"
"Saka wakamubhlokera izvozvo?" Roe
akabvunza

"Imwai doro uko musiyane neni "

"Nhasi newevo uri kusvuta mbanje*


Lee akadaro
"Unopenga handisvuti mbanje ini"

"Mangwana tiri kuenda pa club iya iri


pedo nepa UZ tichigeza maziso e
type dzevasikana vepa UZ ko
vanogara vari tee ka paya" Prince
akadaro

"Joo club iya manyama Kani" Roe


akadaro

"Siyanai nevasikana vevanhu imwi


vapfana"

"Haa Taffy kuzozviita munhu" Lee


akadaro
"Apa ndiwe number one pavasikana"
Roe akadaro.

Foni yangu yakarira ndakasimuka


ndichinodairira panze

*Anenyasha*
Ndadzoka kumba Kwa Ngoni
kwasviba now ndiri kuenda kumba
Themba mukomana wangu. Ndikare
akatanga kundinyenga
ndichangosvika pa UZ Saka
ndakazofunga kumupa mukana
timbozams. Tingadanana hedu asi
rudo rwedu hatingaruendesi kune
imwe level.

I don't trust varume ini . Humhandara


hwangu ndichahupa munhu
wandoona kuti ini naye tine future
tichava ne family kwete chero Ani
zvake.

Yes ndichiri mwana sevamwe vana .


Ukandinyenga kana ndichikuda
ndinokubvuma asi ukazoda
zvinodarika rudo rwedu unonya better
tiparadzane chero kuchinzi ndokuda
seyi.
Themba tine two months tichidanana
anondi understand (a)

"Enda mogal" Nicky akadaro

"Haa ndiri kuenda panze chete ini


ndodzoka now"
"So tell me uchaenda kumba kwake
zvaita sei?"

"Haa ndichinodii kumba kwake?


Ndikangoendako anozondifungira
zvimwe"
"Ayy Anenyasha newevo, Saka
uchagara uchiramba vakomana
nekuti haudi kuvachekesa cake iro"

"Kana ndichifanirwa kuzviita


ndichazviita. Nicole ndokuona
humhanda unofunga chinhu chidiki.
That thing is a precious to me nekuti
inovapo kamwe chete once
yangoenda haichadzoki another thing
I don't want to disappoint my father"
"Asi baba vako vanoziva usisiri
mhandara"

"Asi izvo hazvirevi kuti ndongorasa


humhandara hwangu just like that"
"Okay Miss Virgin" Nicky akadaro
achindiseka

Ndakabuda ndichienda Kuna Themba


ndakamuwana Ari mumota.
Ndakapinda mukati tikakisana

"Shuu today you're so beautiful"


"Thank you you also"

"Unoziva ndangodarika pano,


ndatumwa zvino vakundifonera
nonstop"
"Ahh wadii kupfuura? Wanga
uchandiona rimwe zuva. Hezvo
watumwa nani nekuti unogara
wega?"

"Vabereki vangu varipo pane


zvavanga vavinga Saka varara kumba
vachaenda mangwana "

"Okay"
"Mangwana pane event pa club iyo so
ndokumbira kuenda newe kuchange
Kunana winky D"

"Eish ini nyaya dzema club handidzidi


hangu kunyanya iyi club
yakutozivikanwa nevasikana vepa UZ
vanozarapo"
"Unenge uneni hanti please Ane"

"Okay no problem "

"Uuye neshamwari yako"


"Okay"

"Ndakufanirwa kuenda ndichakuona


mangwana I love you nhai ka"

"Love you more" ndakadaro


tichikisana ndichibva ndabuda
mumota ndichidzokera mumba
End of chapter

https://chat.whatsapp.com/GdHrz7
Wozt1LxgvKqg80zV

*From chapter 1 pindai umu EǥE


ǥEǥ*
*Anenyasha*

*Written by: Makalulue*

*Chapter 16*
.
*Anenyasha*

Taigadzirira kuenda ku club, nhasi


handina kuverenga haa
ndingapedzisira ndakupenga
nekuverenga everyday yoo.
"Wow chomie you so beautiful rogwe
rako rinokufita"

"Eyy handidi kunyadzisa Themba


kunenge kune ma celebrity ka uko
newevo chomie you're so beautiful"

"Thanks darling" Nicky akadaro


tichibuda takuenda sezvo Themba
aiva atofona kuti Ari pagedhi.

Ndakasvika ndichipinda kumberi


Nicky akakwira kumashure kwaiva
neumwe mukomana chinhu
chakandishamisa Nicky akahaga
mukomana uya

"Munozivana?" Ndakabvunza
"Yes todzadza module imwe naye"

",Ohh ndakumurangarira manje"


ndakadaro

"Wow babe you look beautiful"


Themba akadaro
"Thanks love" ndakadaro

Themba akamutsa mota tichienda ku


club. Wow club yacho iri fancy shame.
Ndanga ndisingaizivi yakavakakwa
ndiri kumusha. Takasvika tikagara pa
table pedu. Vasikana vaitamba
vakapfeka zvima minutes vaiita
sevari kukoi**a ayy that's why
ndisingafariri ma club ini

Themba akaenda ne shamwari yake


kunotenga doro nenyama
yakagochwa.

Pavakaenda kunomurira nyama


takasara na Nicky. Ndakapera Simba
nezvandakaona. Handina kua believer
maziso angu. Tafadzwa Ari kudei
pano? Ko haasi ku America here. Haa
Tafadzwa kana Ari pano pachaitwa
drama chete. Handingakwanisi
kusununguka shame

"Nicky hande kumba"

"Haa Ane so fast chii manje?"


Ndakatarisa Tafadzwa kudaro
maziso edu akasangana. Akabisa ma
specks aaiva akapfeka. Patafura
ravaiva vakagara mberi kwavo kwaiva
kwakazara doro nevasikana pamwe
chete nenyama. Ndakatizisa maziso
angu ndichitarisa pasi. Akanditarisa
achibva adzosera ma specks ake
achienderera nezvavaiita.
Ndakashamisika nazvo nekuti Taffy
ndomuziva ka ini. Vana Themba
vadzoka
"Ohh sorry guys nekunonoka eish
vanhu vacho vari slow avo" Themba
akadaro vachigara pasi tichitanga
kudya.

Ini pfungwa dzangu dzaiva dzava


Kuna Tafadzwa ndomuziva Tafadzwa
ane drama haangambonyarari
kusvika taenda no ways. Ndakatanga
kufunga zvinhu zvakaita ku flat ye
shamwari ya Tafadzwa kusvika
tasungwa.

What if zvichizoitika zve nhasi. Ihh


baba vangarwadziwa. Ndakatadza
kupedza chero bhodhoro rimwe re
savannah asi ndaizama kuti vana
Themba vasazonditi ndovhaira. Ini
ndaiva ndatova ne stress ya Taffy
Ndakatanga hangu kuokera muimbi
aiimba pa stage ndichiti pamwe
ndichadzora stress asi zvakakona
nekuti ndakanzwa munhu akundibata
ruoko pandakatarisa aiva Tafadzwa
akandidhonza achibuda neni panze.

Takasvika panze akanditarisa kubva


kumusoro kusvika kutsoka. Panze
paitonhora sezvo iri nguva yechando.
Akandidhonza tichinopinda mune
imwe mota
"Chii newe Tafadzwa?"

"Uri kudei pano?"

"Ndavinga zvinhu zvawavinga. Ko chii


chiri kuitika mukati?"
"Wakufamba ma club iwe Ane ? Hona
zvakapfekwa zvacho?"

"Hey Tafadzwa ndakura kana ndadai


hausi baba vangu iwe?"
"Ivo baba vako vanoziva here kuti
wakufamba ma club"

"Tafadzwa siyana neni. Chiiko newe


nekutevererana neni?wabva ku
America kwese uchinditeverera?"

"Excuse me? Ndichikuteverera for


what? Anenyasha unoziva here
nzvimbo idzi hadzisi safe apa iwe uri
kufamba nevanhu vauusingazivi"
"Ndiani ati handivazivi"

"I Harare ino Anenyasha hakusi


kumba kwenyu!!! Kuno wakauyq
kuzodzidza kwete kuzoita mafaro"
"Ayy Tafadzwa siyana neni please"

"Baba vako vari kuti uri mumba


wakarara asi iwe uri busy pano"
Tafadzwa akadaro achibudisa foni

"Uri kuitei manje?"


"Ndiri kufonera baba vako"

"Please Tafadzwa usaita izvozvo"

"Ndichiregerei? Ndoda kukupedza


kungwara nemapapiro awava nawo
ayo"
Ndakanzwa foni ichi ringer

"Tafadzwa please"

"Hallo"

Ndakavhunduka pandakanzwa izwi


rababa

"Vazhou makadii muri kutaura na


Tafadzwa Zvayi"

"Tafadzwa please " ndakadaro


ndichizevezera
"Nhasi ndafonerwa newe mwanangu
kwakanaka?" Baba vakabvunza

"Aewa baba hakuna kunaka"

Ndakanzwa misodzi ichipisa.


Pandakaedza kuvhura door remota
kuti ndibude raiva rakakiyiwa."
"Ndina Anenyasha pane imwe club
pandamubvunza kuti uri kudei ati
baba vake chete ndivo chete
vangamubvunza izvozvo. Hamenho
anga akuudzai here kuti akuita zvema
club"

"Huh!! Anenyasha Ari kupi?"


"Ndinaye baba ndamutora mukati
ndichida kumubvunza kuti Ari kudei
pano"

"Mupe foni"

Zvagara aiva akaisa foni pa loud


speaker
"Baba"

"Anenyasha uri kupi manje?!!" Baba


vakabvunza nehasha

"Baba tanga tauya kuzoona vaimbi


ndokuvimbisai hapana zvataita uye
tauya tiri vasikana chete"
Anenyasha ikoko wakavinga mafaro
here?" Baba ndainzwa kuti Zambezi
aiva azara

"Ndakavinga kuzodzidza baba"


"IPA Tafadzwa foni "

Ndakamutarisa misodzi yakutoyerera

"Tafadzwa ndokumbira undiendesere


Anenyasha kwaanogara"
"Ehoyi baba"

"Ndinotenda zvakanyanya
mwanangu"

Vakaonekana Tafadzwa achibva


akata foni. Now baba
vakuzondivenga nekuda Kwa
Tafadzwa anoda kuonererwa neni.
What if neniwo ndikafonera mukoma
wake ndichimuudza naiyevo Ari ku
club? Mnxm.

"Saka wakuztozviona semurume


nekuudza baba?"

"Anenyasha ita zvema book usiyane


nemafaro enyika. "
Zvichakadaro takanzwa munhu
aigogodza pa door

"Tafadzwa ndiani hure raunaro


mumota?"

Tafadzwa akaridza tsamwa akatarisa


Dineo
"Tafadzwa vhura door iri, ndoda
kuona hure rawakavharira
mumota!!!!"

Ndakatarisa Tafadzwa

"Ndokumbira undivhurire door


ndibude ini"
"Dineo chiiko ne kiyosi?"

"Vhura door iri ndoda kuratidza hure


iri kuti mahure anoitwa sei!!!"

Ndakanzwa noise pa window, Dineo


aitema mota nebhodhoro
"Dineo unopenga here? Uri kutemerei
mota yangu!!?"

"Ndati open this fucken car


Tafadzwa!!!" Fine akadaro
achinhonga rimwe bhodhoro
achitema window
Ndakavhura door nekukurumidza,
Tafadzwa paakaenda kwaari Dineo
akamhanyira kwandiri, ini ndaiva
ndakubuda kuti ndiende ndakanzwa
nebhodhoro pahuma

"Unopenga here iwe hure? Chii chauri


kuita!!!!?" Tafadzwa akadaro nehasha

Ndaiva ndakabuda ropa pahuma.


Misodzi yakayerera pandiri, chii
chandiri kufira kovo. Tafadzwa
akamubata Dineo asi airwa zvekuti
aindida shame. Ndakanzwa mbama
yakarira aiva Tafadzwa aimurova asi
musikana akaita seane
mangoromera aitoda nezvangu
shame. Tafadzwa paakamurova
akadonhera pasi asi akasimuka
achida kuuya kwandiri.
Ndakatendeuka ndichipinda mukati

"Ane!!!!" Tafadzwa aidanidzira adi


ndakamu ignowa ndichipinda mukati
ndichienda kwaiva nana Themba

"Ane uri kubvepi? Ndikare


ndichikutsvaga ndisingakuoni"
Themba akadaro achinditarisa.
Akashamisika achiona ropa pahuma

"Tafadzwa waitwa sei?*


"Ndokumbira undidzosere
kumashure"

"Ndiani akudai Ane?"

"Please Themba"
"Themba tokumbira utidzosere
kumashure" Nicky akadaro

"Okay" Themba akadaro tichibuda.


Takasangana na Tafadzwa..
"Ane are you okay?" Handina
kumupindura

"Ndiwe ani manje iwe uri kutaura


nemusikana wangu?" Themba
akabvunza

"Kana uchiri kuda kurarama panyika


ino nyarara" Tafadzwa akadaro
"Themba please ndokumbira
undiendese" ndakadaro misodzi
ichiyerera.

Ndakaona Dineo achitevera


Tafadzwa, Tafadzwa akamudhonza
vachinopinda mumota. Nesuwo
takanopinda mumota
"Babe are you okay?" Themba
akabvunza

"Yah"

"Chii chaitika?"
"Handidi kutaura nezvazvo"

Takasvika kwandinogara. Ndakabuda


mumota ndisina kumbooneka
ndichipinda mukati

*Tafadzwa*
I don't believe zvinhu zvichangobva
kuitika. Dineo doro rinomuramba
shame, kana adhakwa anodherera

"Unopenga here iwe Dineo?"


"Iwe ungandisiya mukati uchiva busy
nehure panze"

Ndakanzwa kunge njere dzanditiza


ndakamupa gwati rembama

X
"
"Ndakati kudii ne drama yako? Every
time ukadhakwa unondiitira ma
drama hee!!"

"Wanga uchida kuti ndiite sei


Tafadzwa? Chii chawanga uchida kuti
ndiite iwe uri busy nehure?" Dineo
akadaro achichema
"Usafa wakadana Anenyasha nezita
rekuti hure!! Watema mota yangu,
mangwana chaiwo ndoda uindese
Kuna makanika,kuti uchazviita sei I
don't care.for now handina nguva
yekurovana newe" ndakadaro
ndichitora foni yangu ndichi unblock
(a) Ane ndichienda kumufonera asi
haana kudaira. Ndakaramba
ndichizama kusvika yadzimwa
*Nompumelelo*

Makuseni ndakamuka ndichienda ku


kitchen ndichinogadzira breakfast
ndakawana Maidei Ari busy

"Mamuka maiguru?" Maidei akadaro


"Mainini" ndakadaro

"Unoziva Ticha amuka makuseni


achienda kubasa zvino foni yangu
handisi kuiona ndoda kumufonera
ndimubvunze kana aiona ndokumbira
foni yako ndimufonere"
"Rega ndikumbire ya baba Jayden
yangu iri pa charger" ndakadaro
ndichidzokera mu room medu

"Baba Jay ndipewo foni yako pane


zvandoda kuita"..

"Iyo apo".
Ndakaitora ndichinopa Maidei.
Akafonera Ticha. Apedza
akandidzosera foni. Zvichakadaro
pakapinda message mu foni ya
Munya. Ndakabva ndaivhura.

*$200 saving ref for Anenyasha


Zhou*
"What?"

"Chii?" Maidei akabvunza

Ndakabva ndaenda Kuna Munya.


Pandakatarisa ma message
zvairatidza kuti Munya ane 3 months
achisendera Anenyasha Mari.
ndakapinda mumba Munya aichinja
"Munya"

"Hmm"

"Message iyi inorevei?" Ndakabvunza


ndichimupa foni yake
"Mufoni mangu here?"

"So Anenyasha achiri mukadzi


wako?*.

."aewa"
"Saka Mari dziri kubuda ndedzei?"

"Mpume"

Ndakatendeuka ndichidzokera ku
kitchen
*Anenyasha*

Handizivi kuti ndarara nguvai nekuti


ndanga ndichifa nemarwadzo.
Ndaziva hangu pandaona Tafadzwa
kuti I drama Rega richaitika. Foni
yangu yakarira pandakatarisa vaiva
baba. Ndakadaira

"Wakarara?"
"Ndiri munagumbezi baba"

"Nhai Anenyasha unodarireiko


mwanangu?"

"I'm sorry baba asi. Ndokuvimbisai


hapana zvakashata zvataita kwanga
kuri kungofara chete sezvo yanga
isiro nguva yechikoro"

"Anenyasha unofanirwa kuziva kuti


zvinhu zvaunoita uri kuitira hupenyu
ndiri kuzviona unofunga kuti hupenyu
mutambo"

"Ruregerero baba"
"Ndizvo zvandanga ndichida
kukuudza chete" baba vakadaro
vachikata foni

Zvichakadaro ndakanzwa knock pa


door
"Pinda!!" Ndakadaro

Ndakashamisika ndichiona Tafadzwa.


Ari kudei pano? Iko aziva sei room
yangu?

"Argg Tafadzwa please"


"Wakunzwa sei?"

"Buda muno Tafadzwa"

"I'm sorry"
"Sorry yei? Sorry yekuti unoda
kundikanganisira hupenyu hwangu?
Sorry yekuti musikana wako andirova
or sorry yezvawaudza baba nezuro"

"Ndiri kukumbira ruregerero kuti Dee


akurova chete, iyi yekuti
ndakureverera Kuna baba kanganwa
handifi ndakakumbira ruregerero "
"Buda muno Tafadzwa "

"Ndakuvigira munhu achakurapa


pawakuvara"

"Handidi chinhu chinobva kwauri


Tafadzwa "
"Ndine mapiritsi emarwadzo"

"Ndati handidi chinhu chinobva


kwauri Tafadzwa Zvayi!!!!"

Tafadzwa akaedza kundibisa plaster


ndakamubisa ruoko
"Problem yako ndeyeyi Tafadzwa?!!
Hauna life here iwe? Nei
uchitevererana neni? Nei pese pandiri
uripo? Ndokumbira undiudze nhasi
kuti ndakakutadzirei?"

"Zvinhu zvandaita Anenyasha ndanga


ndichingokubatsira vanhu vauri
kufamba navo hauvazivi"
"Iwe unovaziva here?"

"Handivazivi asi nd--"

"Saka ne life yangu ndokumbira


undipe peace please ndaneta nema
drama Ako ini. Hanti waiva wakandi
blocker here? Saka wandivhurirei.
Unofunga kuti ndichararama life
yaunoda here?"

"Haundinzwisisi Ane "

"Zvagara handinganzwisisi munhu


akafanana newe ini!!! Right now
Tafadzwa ndokumbira ubve pano
usadzoka zve chero ukasangana neni
usanditaudza. Chibuda ndoda kurara"

"Usakanganwa kuzora mushonga uyu


nekumwa ma piritsi" Tafadzwa
akadaro achibuda achienda

Ndakasara ndichitura befu. I'm tired


of this guy. Ari kudeiko kwandiri?
Ndaka confessa kuti ndokuda asi
akaratidza kusava interested but now
Ari busy kundiitira ma drama argg
maan. Ndakapinda mumagumbezi
ndichiedza kurara

*Tafadzwa*

Mushure mekunge ndabva Kuna And


ndakaenda kumba kwangu,
pandakasvika ndakanzwa hasha
pandakawana Dineo Ari mumba. Eyy
zuva ranhasi mashiripiti chaiwo.

"Hey Taffy"

"Uri kudei pano?"


Ndauya kuzokumbira ruregerero
nezvinhu zvandaita nezuro
pandakuona une mukadzi ndabva
ndatadza kuzvidzora ndikanzwa kuda
kuita chero chii"

"Ndakakuisa ring here?"

"Aewa"
"Ndakakuvimbisa kuti ndichakuroora
here?"

"Aewa"

"Saka usandipengera mwanasikana.


Handidi drama ini. Kuti ndinani nguvai
hazvinei newe Saka usandiitira
drama"

"Ndokuda babe I promise handipangi


zve"

"Zvagara haupamhi zve nekuti


handichakudi it's over zvechokwadi
kwete zvema game"
"Please Tafadzwa ndokumbira
usadaro ndokuda please "

"Wagadzira here mota yangu?"

Haana kundipindura
"Ndati wagadzira here mota yanfu?!!!
Ndakabvunza nehasha

"Handina mari Taffy yekugadzira"

"Unopenga iwe, hanti kumba kwenyu


vane type yose yemari. Beside that
hawaitema mota yangu uchiziva kuti
hauna Mari yekuzoigadzira.
Ndichakupa zuva ranhasi chete mota
yangu ndoida yakagadzirwa"

Tichiri kutaura Roland akapinda

"Taffy" Roe akadaro achinditarisa

"Dude unomuziva musikana uyu


ndozvaari Saka zvinhu zvauri kutaura
hazvifi zvakaitika"

"Buda muno" ndakadaro

"Ndoda kutaura newe Tafadzwa"


"I said get out!!!*

"Please Tafadzwa okay look


ndichaenda kunokumbira ruregerero
kumusikana wandarova"

"She don't need your sorry go now


before I change my mind!!!!" Akabva
atobuda same time achienda
"So tell me wanga uchitsvagei
mumota nemusikana uya" Roe
akabvunza

"Hapana ndanga ndichimubvunza


chete kuti Ari kutsvagei husiku"
"Inga Wani wakati wava over
nemusikana uya"

"Asi izvo hazvirevi kuti aite chero chii


chichapinza hupenyu hwake
munjodzi"

"Takutevera cheese boy wake


kusvika kumba kwake. Takuziva
kwaanogara "
"Good tofanirwa kuendako manje"

"Kunodii manje Taffy"

"Hazvinei newe izvo" ndakadaro


ndichibuda ndichinopinda mumota
Roe akanditevera naiyevo achipinda
mumota.

Ndakaimutsa yakananga kumba


kwemukomana anga achifamba na
Ane nezuro, takasvika tichipinda
mukati takamuwana achidya uku
achiona TV.

"Can I help you?"


"Yes you can" ndakadaro

"Ndingakubatsirai nei?*

"Nekuti urambane nemusikana


wawanga uchifamba naye nezuro
hamenho chii chiri kuitika pakati
penyu asi ngachipere manje"

"Unopenga musikana wangu uya


handingarambani naye nekuda kwako
ini"

"Ndichiri kutaura zvakanaka now


ichasvika nguva yekuti
ndisakunyengerera."

"Haungayi mumba mangu wondiudza


zvekuita nemusikana wangu "

"Ndiri kukupa mazuva maviri chete


unge wakuramba hande Roland"
ndakadaro tichinopinda mumota
"Wadii kusiya mwana wevanhu afare
nhai Tafadzwa?"

"Anenyasha achifadzwa nedununu iri"

"Vanodanana vanhu ava Saka


zvinoreva kuti Ari kumufadza.
Tafadzwa ndichakupa advice
yemahara. Kana bhebhi uchirida
riudze kwete zvauri kuita izvi.
Uchapedzisira wapa mwana wevanhu
stress akafoira kuchikoro"

"Haungazvinzwisisi Roe"

Zvichakadaro foni yangu yakarira


pandakatarisa aiva Bridget
"Haa haa ayy unoona nhasi ndikarega
kufa handichadi zve"

"Chii manje?"

"Mwana uyu anogara achindifonera


handizivi anodei kwandiri?"

"Idaire"

Ndakaita sekudaro
"Finally "

"Finally yeyi?"

Ndikare ndichikufonera usingadairi"


"Chimbori chii chaunoda kwandiri?"

"We need to talk Tafadzwa"

"Hanti tiri kutaura here Bridget"

"Ndaikufonera ndichida kukuudza


kuti ndine pamuviri"

Ndakavhura maziso

"Une pamuviri?"

"Yes mwana ndewako"


"Hakuna zvakadaro"

"Urikundipikisa ka kana uchidaro"

"Ndiani anoziva nezve nyaya iyi"


"Ndatanga nekuudza iwe baba
vemwana"

"Hapana anofanirwa kuziva


nezvenyaya iyi especially my family.
Iwe waimbovhurirei makumbo
usingazvidziviriri?"
"Iwe wakandivhurirei makumbo usina
kuzvidzivirira?"

"I'm not ready for mwana ini


ndokumbira undiitire favour usaudza
munhu nezvenhumbu iyi coz I'm not
sure if mwana Ari wangu"

"Saka ndiite sei ini Tafadzwa? Kumba


kana vakundibvunza ndichati kudii?"
"Hamenho"

"Tafadzwa unofanirwa kundiroor--"

Ndakakata foni yangu


"Shit!!"

"Chii manje?"

"Musikana uyu ibenzi chairo


"Ani iyeye?"

"Bridget anga achindiudza kuti ane


pamuviri, zvinhu zvatokanganisika
apa coz akangoenda kumba vachati
ndimuroore zvenharo but I have to do
something fast"
"Something yakaita sei?"

"Handizivi asi ndofanirwa kuita


something mwana uyu achandipinza
muma problems manje"

"Yah pakaipa"
"Handisati ndada zvekuroora ini. Wesi
Bridget argg"

Ndakadikitira same time. Bridget


akangoenda kumba zvatodhakwa
kuchanzi ndimuroore apa ini
handizvidi. Saka ndichaita sei

*Nompumelelo*
Ndaiva mu room mangu ndichifunga
nzira yaiva yaitwa na Munya. Why
asina Kuna kundiudza kuti akuisira
Ane Mari. Ndichiri mukufunga Munya
akapinda handitozivi kuti Ari kubva
kupi.

"Mpume tofanirwa kutaura"


"Okay"

"Zvinhu zvawaita makuseni handina


kuzvifarira"

"Zvipi manje?"
"Zvekuti wokumbira foni yangu
pedzezvo wofukunura zvinhu zvisinei
newe kusandiremekedza izvozvo"

"Message yapinda ndakabata foni"


"Ati uvhure message ndiani nekuti
yanga iri yangu?"

"I'm sorry " ndakadaro misodzi


ichiyerera

"Anenyasha mukadzi wangu


takachata Saka ndichaita chero chii
chandinoda kumuitira. Nompumelelo
look Mari ndinokupa Saka problem
yako iri papi. Unoziva chinhu chandiri
kuona pauri haugoni kutemda. Uri
pano nekuda Kwa Ane asi uri busy
kunyunyutira Mari isiri yako. I'm sorry
nekukuudza izvi asi uri pano nekuda
kwevana vedu chete. Dai ini newe
tanga tisina vana dai tisiri tose now.
Asi zvinhu zvandiri kuita ndiri kuitira
vana. Ini newe hapana
chinotisanganisa. Anenyasha
ndomuda zvakanyanya uye
ndicharamba ndichimuisira Mari.
Kana une problem nazvo zvava zvako
izvo."
Misodzi yakaita mpompi yemvura
pandiri. Mashoko ake akasvika
mumoyo mangu akawana nzvimbo.
Ndakashaya kana shoko
rekumupindura

"I'm sorry " ndakadaro ndichibuda mu


room medu ndisingazivi
nekwandinoenda
End of chapter

https://chat.whatsapp.com/GdHrz7
Wozt1LxgvKqg80zV

*From chapter 1 pindai umu EǥE


ǥEǥ*
*ANENYASHA*

*Written by: Makalulue*

*Edited by: Ellena*


*Chapter 17*

*Anenyasha*

Unoziva nyaya dzemafaro idzi hadzisi


pandiri. Kungozama kuendako ratova
drama ayy better ndisiyane nazvo
zvine varidzi izvi. Ndakagara kudaro
foni yangu yakarira aiva Themba.

"Themba"

"Ndoda kutaura newe"


"Taura"

"Ndiri panze huya"

"Nei usina kundiudza kuti uri kuuya?"


Akabva akata foni. Hezvo asi
anopenga Themba. Ndakabva
ndabuda ndichienda kwaari,
ndakamuwana aripo zveshuwa.
Ndakapinda mumota

"Themba handizvifariri zvawaita, nei


usina kundiudza kuti uri kuuya?"

"Asi pane zvauri kuvanza?"

"Unorevei?"
"Ndati asi pane umwe anosvika kana
ndisipo?"

Hee mashura chaiwo. Themba


anopenga here?

"Saka ukundiudza kuti ini ndiri hure?"


"Okay ngatiisiye iyo? Chii chiri kuitika
pakati pako nemukomana uya
aikuteverera ku club uye hauna
kuzondiuza kuti wakakuvadziwa nei?"

"Hapana zviri kuitika pakati pangu


naye?"
"Saka kana pasina zviri kuitika pakati
penyu nei auya kumba kwangu ne
shamwari yake achindityisa kuti
ndisiyane newe"

Ndakavhura maziso
"Tafadzwa auya kumba kwako?"

"Handimuzivi zita rake asi iye


ndozvaaita saka ndoda kuziva kuti uri
chii chake?"
"Ndakuudza Themba kuti hapana
chiri kuitika pakati pedu"

"Usandiita benzi Nyasha. Hapana


munhu angaita izvi pasina zviri
kuitika "

"Saka iwe unofunga kuti chii


changu?"

"Ndiwe unofanirwa kundiudza


izvozvo nekuti ini handizivi "

"You know what Themba ini


handingakwanisi kudanana nemunhu
asingandivimbi. Ndichiri mudiki ini
kuti ndakufanirwa kungotsanangura
zvinhu zvisina basa kuvarume. Kana
iwe usingandivimbi it's fine let's cut
the deal" ndakadaro ndichibuda
mumota

"Anenyasha dzoka pano!!!"


Handina kumupindura ndakapinda
mumba, handina nguva yekuitiswa
nevarume ini nxaa. Chekutanga
angondifonera achindiudza kuti ari
pagedhi ndakamuudza kuti
handizvifariri. Ndakapinda mumba
ndikafonera Taffy

"Anenyasha dza Tafadzwa "


"Tafadzwa "

"Chii manje asi warambwa?"

"Tafadzwa nhasi ndoda undiudze kuti


uri kudei muhupenyu hwangu? Nei
usingadi kundiona ndichifara?"
"Ko takamboparadzaniswa neiko inga
wani taiva ma good coup-- I mean ma
good friends?"

"Tafadzwa usachinja topic"


"Dza Taffy unoziva ndoda kutaura
newe sei?"

"Hanti tiri kutaura "

"Iyi yandoda kutaura newe haidi


through foni"

"Nxaa handidi kutaura newe "

"Ahh unotomba iwe nditori


mumugwagwa kuuya ikoko, "
Tafadzwa akadaro achikata foni.
What's the f**k!!? Ndakagara pasofa

"Chii Ane?"

"Tafadzwa anondijairira Nicky?"


"Ndiani Taffy?"

"Mukomana anga ari pano nezuro ati


ari kuuya handizivi arairwa nani pano"
"Unovaziva vakomana zvavari but
he's handsome"

"Handsome my foot"

Ayy humhandara hwakuzoenda


manje, vakomana vanohuvhima left
and right" Nicky akadaro achiseka

Pandaiva ndakubatidza TV yangu


Tafadzwa akafona

"Ndasvika dza Taffy"


"Ndakuudza kuti usauya"

"Ndipinde here?"

"Ayy Tafadzwa ndakuda kurara ini"


"Okay ndakutouya"

"Fine fine ndakuuya" ndakadaro


ndichibuda

Vanhu vainditarisa. I'm sure vari


kungoti ndiri kuchinjanisa varume.
Ndakaona mota nhema Mercedes
Benz yakamira. I wonder ndeyani
Mercedes Benz iyo nekuti inodhura
iyo Tafadzwa haangai afford mota
yakadai. Akandivhurira door
ndichibva ndapinda

"Hey" Tafadzwa akadaro


achinyemwerera
"Ndiudze zvinhu zvawanga uchida
kundiudza Tafadzwa "

"Ndokumbira kuti zvinhu


zvandichataura ndizvitaurire
panzvimbo yakanyarara"
"Tafadzwa"

"I promise hatiendi kure"

"Chimbori chiiko chaunoda kutaura".


"Please "

"Handina kumbozviudza kuti


ndichabuda manje"

"Chizviudza manje. I know kuti


hapana zvauri kuita tichakurumidza
kudzoka"

Handina kumupindura

"Kunyarara kwako kwandiri kunoreva


yes" Tafadzwa akadaro achimutsa
mota achinditarisa achinyemwerera
"Taffy ndeyani mota iyi?"

"Ndeyangu"

"Usanyeba Tafadzwa"
"Iyaa uri kumashure ndakushanda
zve ini"

"Kupi?"

Ndoshanda ku New Harare private


hospital as doctor"
Ndakaseka ndichirova maoko

"Uri kusekei?"

"Unofunga kuti doctor kusvuta


mbanje?"
"Ko ndaidzidzira kuita sei ku
America?"

Ndakamutarisa ndava serious

"Waiita medicine?"
Akatora name tag yake achindiratidza

"Doctor?" Ndakabvunza
nekushamisika
"Aewa ndiri makanika"

"Wait unoshanda nguvai nekuti


unoswera uchimbeya uchitsvagana
nezvandiri kuita?"

"Basa rine nguva yaro"


"Ndinobvuma asi haungatengi mota
inodhura kudai in 3 months"

"I'm a professional sisi ndakaitenga


ne salary yemwedzi umwe chete"
"Okay congratulation asi hausi ku
behavior sa doctor "

"Saka ndofanirwa kutakura varwere


musoro kuti ndionekwe kuti ndiri
doctor or ndofanirwa kugara
ndakapfeka white coat nema
stethoscopes"
"Ehe unofanirwa kudaro"

"So tell me unorwirei neni?"

"Ayy Tafadzwa ndine zvinhu


zvakawanda zvandingaita ini kwete
zvauri kundibvunza"
Mota yakamira pamberi peimwe
imba yaiva yakanaka

"Imba yako iyi?"

"Aewa ndeya kule veshamwari yangu


Saka havagari pano vari ku england
isu takavatarisira imba yavo"

Ndakamutarisa kwenguva yakareba


tichibva tapinda mukati

"Fridge yangu ine doro chete zvinhu


zvema juice ayy ayy"
"Saka na Dee anongomwa doro chete
juice haamwi"

"Dee wepi?"

"Dineo musikana wako ane drama"


"Nxaa" Tafadzwa akadaro achitora
juice achindipa iye akatora cane
yedoro

"Chii chatavinga kuzotaura pano?"


"Anenyasha ndinoziva kuti uri
kuzviudza kuti handidi kukuona
uchifara asi hazvisirizvo. Hapana
chinhu chandinoda kuona sewe
uchifara uchibudirira mu life"

"Asi hauzviratidzi"
"Okay I understand maybe behavior
yangu kwauri asi neniwo ndinenge
ndisingazviiti nekuda kwangu. I know
kuti ini newe takambonetsana asi
izvo hazvirevi kuti handikudi. I love
you so much"

"Ndakakuudza Taffy ndinokuda


wakaita sei? Hanti wakandidzinga
sembwa"
"No Ane newevo wakandiwana ndine
mutoro paya"

"Ohh okay let's say takudanana kana


wava nemutoro unoutura pandiri?"

"Aewa Tafadzwa akadaro achitarisa


pasi
"Tafadzwa wakarara nemusikana
mberi kwangu"

"Mberi kwako?" Tafadzwa akabvunza


achiratidza kushamisika
"Zvaingofanana nekuti mberi kwangu.
Wakarara na Bridget pa same bed
mbatya dzenyu dzakazara pasi, chero
nema underwear pawakaona kuti
ndakuona hauna kumboratidza
kuzvishora or unondida. Hauna
kumboita hanya nekuti ini ndinonzwa
sei nazvo"
"I'm sorry Ane"

"Une vasikana vangani?"

Tafadzwa akanditarisa
achishamisika
*Ane look nd--"

"Uri kutadza kupindura mubvunzo uri


easy kudai. Look it's up to you kana
uchida kuva neni uchagadzira nzira
dzako"
"Nzira dzangu dzipi?"

"Ndiwe unodziziva. Kana wagadzira


maybe we will talk zvinhu zvine
musoro. Uchandiendesa or ndidane
tax?"

"Anenyasha"
"Ndakuda kuenda ini"

Akasimuka achitora ma key emota


tichinopinda mumota

*Nompumelelo*
Ndakagara mu room medu, now
nguva dzava Kuma 10 Munya haasati
auya handizivi kuti ari kupi nani.
ndakatarisa mwana wangu aitoridza
magwiriri hake. Nahalf past ten
Munya akapinda

"Hey rega ndokutorera chikafu chako"


ndakadaro ndichida kubuda asi
akandibata ruoko

"I'm sorry nemashoko andataura


makuseni ndanga ndisinganirwi
kutaura zvakadaro pauri"

"Munya ndini ndofanirwa kukumbira


ruregerero, ndavhura ma message
ako ndichifunga kuti pamwe
uchinarwo rudo rwangu. Ndanga
ndichifunga kuti rudo ruchiripo pakati
pedo izvo kwete kwangosara rudo
rwevabereki. Munya, Jay na Popo
vakura manje I know kuti
vanokwanisa kurarama kunze
kwangu. Tora hako vana there is no
need yekuti undichengete pano moyo
usiri pandiri. Ndokumbira tidai so.
Tichaita divorce vana vachasara
kwauri kana vachindida
vachandishanyira" ndakadaro
ndichipukuta misodzi
"Ndaona iri iyo best solution iyi. Iyi
yekunyebera vanhu tichiti tinodanana
handifungi kuti iri right ini. Mangwana
chaiye ndokumbira utaure na baba
vako nenyaya ye divorce. Ndichaenda
mangwana chaiye ma paper e
divorce achanditevera kumba. I'm
sure Anenyasha wako kwaari ari
kukufungavo naiyevo anokuda
sezvauri kumuita nekuti zvinorwadza
kuda munhu asingakudi"

"Nompumelelo "
"I think tapedza nenyaya iyi
Munyaradzi " ndakadaro ndichikwira
pa bed ndichihaga mwana wangu

Nhasi izuva rekupedzisira ndakarara


naye mu room iri nekuti mangwana
ndiri kudzokera kumba kwedu
handichadzoki zve. Munya naiyevo
akakwira pa bed achinditarisa

***************

Mangwana makuseni ndakatanga


kupepuka Munya aiva akafa nehope.
Ndakabva ndamumutsa
"Ko ndikumutsirwei makuseni ano?"

"Tofanirwa kunotaura nevabereki


vako manje ndoda kuenda nhasi ini"

"Nompumelelo ko vana?"
"Vana ndataura Munya kuti
ndichavasiya vachandishanyira kana
vakundifunga"

"Asi vanoda kugara vachikuona"

"Fine then ndichaenda navo"


"Hakuna ropa rekwa Zvayi
richanogara kure neropa ravo"

"Saka ngavasare ka. Ndichataura


navo vana vangu vacha understand
(a)"

Akabva amuka achipfeka chero


kugeza haana kuzogeza. Ini zvekuva
pano handichadi shame. Mashoko
andaudzwa na Munya hapana
angakwanisa kushingirira mashoko
ataurwa pandiri.

Why ndichifanirwa kugara pano ini


ndisingadiwi. Achasara achiita
zvaanoda. Handingagari pano ndichiti
ndiri kuitira vanhu ndisingapihwi
zvinhu zvandakavinga pano. As for
vana vachandishanyira saka handioni
reason yekuramba ndiri pamusha
pano

Takaenda kumuzinda tikawana Mai


vake na baba vake vakagara

"Mamuka sei?" Ndakadaro


"Mambokadzi marara sei?" Mai
Munya vakadaro

"Tarara zvakanaka mhamha"


ndakadaro

"Baba na mhamha tauya nechichemo


kwamuri asi tokumbira mugamuchire
chichemo chedu" Munya akadaro
"Chiizve Munya"

"Muchandiregerera vabereki vangu


neniwo hapana zvandingaita. Zvinhu
zvandichakuudza ndoona zviri izvo
zvinodiwa nesu. Chinangwa changu
changa chisiri chekusvibisa zita
renyu asi zvangozviita zvega"
"Munyaradzi taurai nyaya yenyu" Mai
Munya vakadaro

"Kubva zvakasvika Mpume zvinhu


hazvina kuzofanana nekare. Zvinhu
zvandainzwa kare kana ndinaye
handichazvinzwi. Pano angogarira
vana chete kwete ini" Munya akadaro

"Ichokwadi mhamha neniwo


andiudza nezuro asi tazowana
solution yenyaya iyi"ndakadaro

"Izvo hazviitiki manje hamufi


makazviona"
"Mhamha zvakangofanana chero
Mpume akagara pano anenge
akuitira vanhu munharaunda nevana
chete ini handisisina ma feelings ake"
Munya akadaro

"Munyaradzi wakuda zve kusvibisa


mutupo wekwa Zvayi. Ndakakupa
chigaro chino nekuti ndaikuvimba.
Wakatanga nekuparadzana
nemukadzi wako mudiki now
wakuparadzana na Mambokadzi zve.
Kubva zvawakagadzikwa
pahumambo yakawanda mitemo
yawakaputsa zvinhu zvamuri kuda
kuita handingazvibvumi" Mambo
vakadaro

Takatarisana na Mpume hapana


akapindura
"Ndeipi solution yamuri kuda muri
vaviri " Mambo vakabvunza

"Divorce "
"Ndokupai mvumo chiendai" Mambo
vakadaro

"Baba" Mai Munya vakadaro

"Vakura vanhu ava vanoziva


zvavanoita" Mambo vakadaro
Takasimuka tichienda. Mai Munya
vakatotevera

"Huyai pano imwi" takaswedera Pana


Mai Munya
"Iwe Munyaradzi zvinhu zvauri
kutaura wazvitora kupi?".

"Mumoyo mangu?"

"Saka ndihwo hupenyu hwauri kuda


uhu here? Hwekuroora uchidzinga
vakadzi. Iwe Mpume uri kubvumirana
na Munya haukwanisi kurwira
murume wako here?"
"Mhamha hapana zvandingarwira dai
kuchinzi Munya ana marwei ndiye
anomudaro ndanga ndicharwa asi
hapana Munya ari kutaura zvinhu zviri
mumoyo make" ndakadaro

"Ko vana?" Mai Munya vakabvunza


"Vana ndichavasiya kumba kwavo"

Musaita izvi vanangu. Munya wadii


kuzvipa nguva usabvuma Masithole
achienda Kani"
"Munya andiudza ini kuti munhu
waanoda ndi Anenyasha "

"Ohh Saka iwe Munya uri


kuparadzana na Mpume uchiti
wakamirira Anenyasha. Anenyasha
achiri mudiki uya. Yes Ari pano aiita
zvinhu kunge munhu mukuru asi
aizviitiswa nesu uye akasvika
pakuneta. Anenyasha anodzidza
nevamwe vana uko. Vanoyenzana
naye, akashara zvinhu zvaanoda.
Zvidzidzo ndizvo zvaanoda. Kana
apedza chikoro acharoorwa nemunhu
akadzidza"

"Zvakwana mhamha "


Okay itai zvamunoda asi
zvisazokunetsai kumberi uye
musazonetsa vana nenyaya dzenyu"
Mai Munya vakadaro vachienda

*Anenyasha*

Ndaiva mu sitting room ndichiona TV.


Foni yangu yakarira aiva Tafadzwa
ndakadaira

"Ndati handitauri newe usati waziva


zvauri kuda"

"Okay ndokumbira kuzokuona


ndikuudze everything"
"Usapfuudza 20 minutes coz ndoda
kuverenga"

"Ndichaita sekudaro"

Ndakakata foni yangu ndikaenderera


mberi nekuona tv. After 10 minutes
ndakaona message yaiti
*I'm outside*

Ndakabuda ndichinopinda mumota

"Thanks nekundipa mukana


wekutaura newe"
"Ndakamirira kunzwa everything"

"Ohh paya pawakaona ropa pa


hembe yangu waitaura chokwadi
raiva ropa remunhu" ndakamutarisa
ndichishamisika
"Asi handina kumbomuuraya munhu
ini. Ndeuya akatitevera kuhotera
atumwa na mainini. Ini ne shamwari
dzangu takamuona somewhere
neshamwari dzangu tikamutevera.
Takakwanisa kumu blocker achibva
abuda mumota. Ini ndakamuti
takukuendesa ku police unotaura
wega zvinhu zvawakatiita asi akabva
azvipfura nekuti munhu wacho
airatidza kuti ane ma crime
akawanda anokwanisa kufira mujeri"
"Saka ropa raidei pahembe yako?"

"Takavhunduka ka patakaona
achizvipfura, takamhanyira kwaari
tichiedza kumumutsa asi aiva at--"

"Tafadzwa nei uchinyeba"


"Handinyebi Ane ndiri kutaura
chokwadi "

"Story yako handiibvumi ini Taffy"

"Saka iwe unofunga kuti ndini


ndakamuuraya?"
"Handizivi Tafadzwa, handizivi chinhu
iwe ndiwe unoziva chokwadi"

"Maybe ndatadza kutsanangura


zvakanaka asi zvinhu zvandiri kutaura
ichokwadi. Anenyasha ndokumbira
undipe mukana uchaona kuti
ndokuda sei"
"Handingadanani nemunhu ane ma
secret ini"

"Anenyasha dza Taffy" Tafadzwa


akadaro achinditaridza kwaari

"I love you look I do mistake like


munhu wese but I'm not that bad.
Sezvo ndichiti ndinokuda Ane
ndinokuda zveshuwa"

Ndakanyarara ndichitarisa pasi

"Please Mai Mushavi wangu


handimbo kukanganisi pazvidzidzo
please ndichatamba yako ngoma
kusvika wakundivimba"
"Taffy"

"Please" Taffy akadaro


achindiswededza paari

"I love you" Tafadzwa akadaro


"I love you too" ndakadaro

Tafadzwa akanditarisa kwenguva


neniwo ndakamutarisa. Slowly slowly
ndakanzwa ma lips angu ava pane
ake. Akatanga kuadhonza zvishoma
nezvishoma zviri gentle
End of chapter

https://chat.whatsapp.com/Lt6MlwL
G8mrFnvYmBZ1RtL

*From chapter 1 pindai umu EǥE


ǥ*

*ANENYASHA*
*Written by Makalulue*

*Edited by: Ellena*

*Chapter 18*
*Anenyasha*

Handizivi kana ndatora decision iri


right asi hapana zvandingaita Taffy
ndomuda ndakamuda ndisati
ndamuziva. Ndakamuda ndisati
ndaroorwa na Munya asi hapana
angazvi understand a izvozvo. Chinhu
chandava worried nacho vanhu
vemudunhu rangu, vachati kudii
sezvo ndaiva ndakaroorwa
nemukoma waTaffy.

Vachatanga kundi judger


vokanganwa kuti vakandiroodza
zvenharo. Ndakaedza kumuda Munya
asi ndakaona kuti noo hazvirizvo
zvinodiwa nemoyo yangu.
But I'm ready chero chii chichaitika.
Chimwe chinhu chinondipa stress
ndechekuti baba vachati kudii
nenyaya yose iyi. Asi pekupedzisira
vachandiregerera ndiri mwana wavo
ka. Vachandiona se betrayer or
disappointment but still I'm his
daughter.
Takakisana kwenguva yakareba na
Taffy . Ma feelings akakwira kudarika
pekutanga. Patakaona kuti tingazoita
mistake takaregedzana. Ndaka
blasha paakanditarisa

"Thanks nekundipa mukana"

"You're welcome"
"I love you so much"

"I love you more" ndakadaro asi


pfungwa dzangu pakatanga kuuya
drama yemusikana wake Dineo

"Chii manje asi pane chandatadza?"


Taffy akabvunza
"Musikana wako Dineo anek--"

"Haa uyo yatova history


takarambana"
"Shuwa here?"

"Yah asi iye achiri kunditeverera but


don't worry ndichagadzirisa zvose"

"Okay"
"20 minutes yawati unoda kuverenga
yakwana"

"Eish apa yatodarika"


"Okay rega ndisakukanganisa kana
wafoira wozochema neni uchiti ndini
ndakonzeresa"

"Zvagara ndiwe unenge


wakonzeresa" ndakadaro ndichiseka

Takakisana tichibva tabuda


"Uverenge zvakanaka asi
usakanganwa kuti Taffy anokuda"

"I love you too Lucky Charmer "


Akaseka tichinopinda mumota
achindiendesa kwandinogara.
Ndakasvika ndikawana Nicky achiona
TV

"Haa ndiko kukurumidza kwanga


uchireva uku?"
"Haa Nicky ahh" ndakadaro
ndichiseka

"Kubva wanonoka kudai manga


muchitaura dzei?"
Ndakanyemwerera

"Uhhm waku blasha manje?"

"Nicky stop it"


Ndiri kubvunza hangu wava
neboyfriend itsva futi?"

"Ndanga ndisina choice


ndakashingirira zvakwana manje.
Chero ndiri kumba kwavo ndaimuda,
now ndatadza kushingirira "
"Yowee Anenyasha dzemashura
unoziva here zvaunoda iwe"

"First of all handisi Anenyasha


dzemashura nei uchiti handizivi
zvandinoda?"

"Uchagwisanisa vana vanyamunhu"


"Vapi manje vana vanyamunhu?"

"Uyu aiva akakuroora na Tafadzwa"

"Haa ini na Munya taiva tisingadanani


so handioni problem ini apo. Munya
akandi understanda pekutanga so
nazvino achandi understanda"

"Zvaunofunga hazvisirizvo zvichaita.


Ndiri kukuona uri kufunga semwana
mudiki. Family iyo ichati kudii
nenyaya iyi? Wakaramba Munya
nekuti waiva waona Tafadzwa"
"Ohh God Nicole ndokumbira usaita
kuti ndifunge zvinhu zvakawanda
mupfungwa dzangu. Kuti chii
chichaitika kupi sei ndokumbira
usandifungidza now let me enjoy my
life please "

"Saka Tafadzwa uchamupa


humhandara hwako?"
"Kuti iye aita sei?"

"Kungobvunzawo hangu "

"Tingadanana hedu asi ipapo


hatingasviki"
"Asi mukomana wako uyu I type
inoda zvinhu"

"Nicole stop it please!!!" Ndakadaro


nehasha
"What if avinga humhandara hwako
chete?"

"I said stop it!! Buda munyaya


dzangu!! Chiiko newe?!! Tafadzwa
ndiye akuudza here kuti ndozvaanoda
kwandiri. Please siyana neni Nicole!!"
"Chero ukatsamwa asi zvinhu
zvandakuudza ichokwadi. Hapana
mukomana akafanana na Tafadzwa
angashingirira kupenga kwako.
Anongoda humhandara hwako
okusiya wakashama"

Ndakamupa gwati rembama,


akavhunduka achibata dama rake
"Anenyasha wandirova?!!"

"Aewa ndakukwenya" ndakadaro


ndichienda mu room mangu
Chiiko na Nicole, ndakatora mabhuku
angu hameno ndikakwanisa
kuverenga kwacho

*Nompumelelo*

Kusiya vana vangu kunondirwadza


zvakanyanya ndajaira kugara navo ini
uye ndaiva ndazviudza kuti
ndichagara navo kwehupenyu
hwangu hwese asi Mwari vanenge
vazviramba.

"Popo ndichauya nhaika?"

"Mhamha nei musingachandi kugara


pano?"
"Kure kubasa my baby"

"Baba vane mota vachakuendesai


mazuva ose"
"My girl haungazvinzwisisi kwandiri
kunoshanda kure handingakwanisi
kufamba mazuva ose"

"Saka endai nesu ka"

"Papa vagosara nani?"


Haana kundipindura

"Wava big girl now my baby uchasara


uchiitira baba zvose zvavanoda
nhaika?"
"Okay mommy ndokudai
zvakanyanya musarega kuzotiona"

"Okay my angel" ndakadaro


ndichimuhaga.
Ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso
moyo waiita kunge uri kubaiwa ne
tsono. Ndakamusiya akanditarisa
achiseka

"Mhamha munoyema imwi. Hanti


muchadzoka here. Ini ndiri birg
ndichavaitira zvose daddy"
Ndakanyemwerera achibva aenda.
Jay aiva akamira akamira pamadziro
akatitarisa

"Jayden"
"Nei muchiudza Popo zvinhu zvisizvo
mhamha"

Ndakatarisa mudenga nekuti


ndainzwa kuti misodzi yangu ikuda
kubuda

"Imwi na baba hamusisiri pamwe


chete makuenda hamuchadzoki
kwatiri. Nei muchinyebera Popo?"

"Jayden"

"Imwi na baba hamutidi. Makatanga


nekutitora muchinotigarisa kure na
baba manje ndi baba vari kutigarisa
kure nemwi. Nei muchitidaro?"
"Jay kana wakura uchazvionawo
newe. Rudo kana rwapera rwapera
harufi rwakavapo zve. Muhupenyu
haufanirwi kumanikidza zvinhu nekuti
pekupedzisira ndiwe uchakuvara.
Nesuwo naMunya tasvika pa
breaking point hapasisina rudo
rwapera"
"Rwapera kwamuri muri vaviri or
Kuna baba chete?'

"Chero vari baba vako chete asi


zvakangofanana please my boy
ndokumbira kuti usatiomesera. Kana
uchida ndigare pano ndinenge
ndakudzosera hupenyu hwangu
kumashure. Ndovimba kuti haudi
izvozvo pana Mai vako"
"Vana vose vanokura nevabereki vavo
vakakwana asi isu tinogara
takatorerwa kodzero yedu. Okay fine
endai tichararama hupenyu
hwatogara tichirarama hwekukura
tichichengetwa nemubereki umwe"

Ndakayerdza misodzi
"Mwanangu please ndokumbira
usandiita kuti kwandinenge ndiri
pfungwa dzangu dzisare kuno"

"Dai hangu ndakazviendera na


bamunini Tafadzwa ndivo vanondida
pamusha pano"
"Jayden please mwanangu"

Haana kundipindura akatendeuka


achienda. Ko nei Jayden achitaura
zvakadaro. Handichazivi kuti ndiite
sei. Yes vana vangu ndinovada asi
kugara pano hazvichaiti. Misodzi
yakabuda ichiita rwerwizi pamatama
angu. Zvichakadaro Maidei akapinda
"Pachiri early kuti mugadzire zvinhu
Mpume "

"Maidei hakusi kuda kwangu.


Unofunga ndanga ndichaenda
ndichisiya vana vangu here"
"Taura na Munya mugadzire zvinhu.
Makura imwi kuti mungaita divorce. "

"Anyatsondiudza Munya kuti


haachandidi pano ndangogarira vana
chete. Dai ndanga ndisina vana dai
ndisipo pano. Iwe ungagarira izvozvo
here?"
"Asi gadzirai zvinhu na Munya.
Makore ose aya mozorambana
manje nekuda kwemunhu akatobva
pano here"

"Maidei ndakufanirwa kuenda"


Maidei akaswedera pandiri
tichihagana ndichitora ma bag angu
ndichibuda door

*Anenyasha*
Ndakamutswa nefoni yangu yairira
pandakatarisa aiva Tafadzwa

"Morning" ndakadaro

"Anenyasha wa Tafadzwa"
Ndararisa nhasi Tafadzwa yoo"

"Hezvo nazvino uri mumagumbezi


hauendi ku campus nhasi"

"Ndinoenda asi handiendi kunonyora"


"Okay ndokumbira kuva ride yako
nhasi"

"Hauendi kubasa here?"


"Aewa nhasi ndiri off"

"Okay ndichabuda na 8 ndofanirwa


kusvika na 9"

"8 o'clock ichachaya ndava pagedhi"


"Okay" ndakadaro tichionekana.

Ndakaenda ku kitchen asi kwaiva


kusina munhu. I think Nicole aenda
ko hanti nezuro tarara
tisingataudzani nekuda kwezvinhu
zvaanga achitaura. Ndakagadzira
breakfast ndapedza ndakanogara
pasi ndichidya
Ndapedza ndakagara some minutes
Tafadzwa akandisendera message
achiti Ari pagedhi. Ndakatora
stationary ndichienda kwaari

"Morning " ndakadaro


"Morning my angel " Taffy akadaro
achimutsa mota tichienda ku campus.
Akasvika akamira pagedhi

"Thank you" ndakadaro

"You're welcome "


Ndakaona mota ya Themba ichiuya
kuzomira pedo nemota ya Tafadzwa.
Ohh God ngapasaita drama kani.
Takakisana kwema minutes
ndichibva ndabuda mumota.
Tafadzwa akamutsa mota achienda.
Themba akabuda mumota achiuya
kwandiri

"Ndizvo zvawandirambira izvi?"


"Aewa"

"Unomuziva zvakanaka here


mukomana wauri kudanana"
"Unorevei?"

"Ndati unonyatsomuziva here munhu


waunodanana naye?"

"Ehe ndomuziva "


"Okay kana uchimuziva bhoo"
Themba akadaro achienda ndakasara
ndakavhura maziso

Ko nei vanhu vasingamu approve


Taffy kuti adanane neni. But anyway
zvinhu zvandiri kuita handiitiri munhu
ndozviitira ini.
*Tafadzwa*

Ndakagara nemachinda angu ndiri pa


Whatsapp chart with Anenyasha
ndikungorova smile
"Ayy iwe watodyiswa iwe?" Prince
akadaro

"Dineo ava kukupengesa mupfana "


Lee akadaro

"Unondipengera iwe ndakaramba


naye uyo ini"
"Ehh ko ava ne new girlfriend ka
inonzi Anenyasha" Roe akadaro

"Fu** ko kuzandiudza mpfana" Prince


akadaro
"Chii asi unoda kuita refree
patinokisana" ndakabvunza

"Saka unomupenengura rinhi?" Lee


akabvunza

"Kupenengura chii?"
"Unoziva zvandiri kureva Tafadzwa"
Prince akadaro vachiseka

"Musataura zvinhu zvisinei nemwi"


"Hezvo Tafadzwa watopinda
nemoyo?" Roe akabvunza

"Vanondijairira ava"

"Hayi maan Tafadzwa tinozviziva


tose kuti unongoda kumudya chete.
Tokuziva zve iwe zvauri" prince
akadaro
"Mondiziva or mondifungira?"

"Ndiani asingakuzivi kuti apple


unorida mpfana" Lee akadaro
Ndakanzwa hasha ndikaswedera
paari ndikamurova nechibhakera
achibuda ropa mumhino

"Tafadzwa ukundiroverei?"

"Uri kumuroverei Tafadzwa? Kuti


akuudza chokwadi here?" Prince
akadaro

Handina kumupindura naiyevo


ndakamupa chake chibhakera

"Budai mumba mangu"


"Zvagara tanga takuenda" Lee
akadaro vachibuda

"Tafadzwa chiiko?" Roe akabvunza


"Chiiko kudii hauna kuvanzwa
zvavataura here?"

"No maan dude vanga vachitamba


newe"

"Kutamba neni my foot!!


Kupenengura my foot"
"Newevo Tafadzwa wangopinda
nemoyo asi vanga vachitamba newe"

"Uchavatevera newevo"
"Unondipengera mpfana" Roe
akadaro achirara pasofa, ndakagara
pasi zvichakadaro foni yangu yakarira
aiva Jay

"Champion "

"Superstar "
"Unenge uri kuchema"

"Mhamha na baba havachavi vose


zve"

"Handisi kunzwisisa champion"


"Mhamha vaparadzana nababa,
mhamha vaenda. Bamnini havatidi
ava ini ndoda kuzogara nemwi ku
Harare"

Ndakavhura maziso
"Vaparadzana rinhi"

Mhamha vaenda nhasi"

"Okay okay champion usachema


ndichauya kuzotaura na baba vako
okay"
"I miss you bamnini"

"I miss you too chirega kuchema


okay" ndakadaro tichionekana

Pandakakata foni yangu ndakawana


pane ma missed call ndi Ane anga
achizama kundifonera ndakadaira
"Wanga uchambotaura nevasikana
vako?"

"Haa ndiko kumhorosa here uku?"


"Ndikare ndichikufonera ichingoto
waiting "

"Ndanga ndichitura na Jay anga


achindiudza dzimwe nyaya apa"

"Dzei?"
"Ati Mai vake na baba
vakaparadzana"

"Haa rinhi chii chaitika?"

"Handizivi handina kumubvunza


zvinhu zvakawanda anga achichema"

"Shuu pakaipa. Ndikunzwa kuda


kuuya kumba kwako. Haudi here kuti
ndiuye?"

"Awuu ndiani angaramba offer


yakadaro haunyori here mangwana?"
"Aewa tiri kuverenga zvatichanyora
kuswera mangwana "

"Okay Rega ndiuye kuzokutora "


Ndakadaro ndichikata foni yangu

"Roe ndiri kubuda ini ndiri kunotora


musikana wangu"

"Haa handichaendi ndoda kumuona


Anenyasha wacho"

"Nhema ita unotya Glady"


"Eish iyo ndeimwe nyaya imagine
munhu anodzingwa pamba pake"

"Ndiko kuti usiye chihure bye"


ndakadaro ndichibuda ndichinopinda
mumota ndichienda kwaigara Ane.
Ndakasvika pagedhi ndikamusendera
message ndichimuudza kuti ndasvika
Ndakamuona achibudikira
ndakanyemwerera ndakamutarisa.
Finally ava wangu manje.
Ndakamuvhurira door achipinda.
Ndakamukisa padama.

"Anenyasha dza Tafadzwa"

Ko nei vanhu vachichinja zita rangu


kudaro?" Ane akadaro achiseka

"Ndivanani vamwe"

"Ahh vanhu vakungoita zvavanoda


nezita rangu"
"Uvaudze vanodaro kuti vachandiona
mushe"

Ane akaseka.

"Thanks nekundishanyira"
"Ndangonzwa kuda kuva newe "

"Chinhu chanyanya kundifadza


ndechekuti wazvitaurira wega kuti
unoda kundishanyira. To me it's
mean a lot"

"I missed you that's why "


"Neniwo ndanga ndichikufunga asi
ndanga ndichitya kutaura"

"Iwe Tafadzwa nekutya"

Ndakaseka
"Ahh wava musikana wangu ka saka
ndofanirwa kubata mutemo"

Ane akaseka

"Ndakamutsa mota tichienda kumba.


Zvagara chikafu chose chiripo so no
need yekuti tidarike Kuma shops.
Takasvika kumba tikaburuka mumota,
ndakabata bag ra Ane tichipinda
mumba. Roe aiva akangorara

"Roe Roe ndadzoka" ndakadaro


Roe akamuka achizvipukuta kumeso
achititarisa

"Ohh ndakudzingwa manje"

"Haa iwe ndanga ndichingokuudza


chete ini"
"Hey Anenyasha takagumana musi
uya we drama" Roe akadaro

"Hie" Ane akadaro


"Ayy rega ndogadzira nyaya
dzemusha wangu. Ndichatiza kusvika
rinhi " Roe akadaro ndakamuseka

"Umhorose Glady"

"Ukwane Tafadzwa. Miss Anenyasha


usare mushe" Roe akadaro achibuda
achienda. Ndakazvikandira pasofa

"Handina kubika ini ndokumbira


undibikire ndakaguma kare chikafu
chabikwa newe"

"Hezvo wanga uchiti uchadyei"


"Ndichangosvika ini"

"Imba iyi yakanaka shame,


inoonekwa kuti muridzi Ari ku
America. Kule ve shamwari yako
vanokuvimbai shuwa. Kukusiirai imba
yakanaka kudai. Saka shamwari yako
iri kupi?"
"Ohh uyo Ari kumusha asi achauya
soon" ndakadaro ndichimuswededza
pandiri tichitanga kukisana

*Anenyasha*
After some minutes Tafadzwa
akasimuka achienda mune rimwe
room akadzoka ne plate yaiva nema
strawberry, snack sweets
nezvimwewo zvakangodaro daro ne
drink

"Swedera pandiri Ane"

Ndakaswedera achibva andigarisa


pamakumbo ake

"Shamwari yako waisiya yega?"

"Shamwari yangu?"

"I mean roomza wako"


"Yoo uyavo uya"

"Haa ini ndaifunga kuti mowirirana ka?


Asi marwa?" Tafadzwa akabvunza
achiseka
,"Yah but it's not a big deal"

"That's why ini ndisingakwanisi


kugara neumwe munhu kuchikoro
kwenyu uko"

"Ku America waigara nani?"


"Ndaigara ndega. One day tofanirwa
kumboshanyako"

"I can't wait"

Tafadzwa akanditarisa achindibata


chirebvu changu achindiswededza
paari achindiradzika zvinyoro nyoro
pasofa achitanga kundikisa. Neniwo
ndakamukisa back.

Takakisana kwenguva yakati rebei.


Taiita kurova slomotion kiss yaiva
nerudo rwakawedzerwa. Handisati
ndambonzwa zvinhu zvandiri kunzwa
manje. Hapana kana nguva yakareba
tichikisana asi zvinhu zvandiri
kunzwa manje zvakapfurikidza
Ndakamunzwa ava kukopunura
zvikopera zvehembe achitanga
kunanzwa mazamu angu.
Ndakafemera mudenga nezvinhu
zvandainzwa

"Tafadzwa" ndakadaro nezwi raiva


kure kure
"Relax" Tafadzwa akadaro
achindikisa. Ayy Mwari wangu
ndakanzwa kunge ndiri kudenga

Akakurura hembe yake achirara


pamsoro pangu. Ohh God muviri
wake unondiita kunge tiri kunyika
yedu tega. Akatanga kundipurudzira
uku achindikisa mazamu nemuhuro. I
enjoy this a lot. Ndakanzwa kunge
ava kuenda kumaodzanyemba
ndakajamba
"Tafadzwa"

"Hapana zvandinokuita Ane, just a


romance. I won't do anything kunze
kwemvumo yako"
Ndakabvuma nemusoro achitanga
kundiita romance yacho. After some
minutes akazondiregedza tichigara
pasofa

"I enjoy a lot" Tafadzwa akadaro

"Me too ndakadaro ndichi blasha


Zvichakadaro foni yake yakarira aiva
Mpume. Akaitarisa haana kudaira

"Ndi Mpume"

"Ayy ndichamufonera ndava free"


"What if nyaya yacho yakakosha?

"Hapana chinhu chakakosha kudarika


iwe. Pamwe anoda kundiudza nyaya
yavo na Munya handichadi kupindira
nyaya dzavo ini"

Foni ya Mpume payakanyarara


pakapinda ya Bridget
"Ayy Tafadzwa daira Kani"

"Ane handisi mu mood yekubata foni


nhasi."

After some minutes foni yake


yakapinda message akaiverenga
achibva anditarisa achitarisa zve foni
yake

"Tafadzwa chii chauri kundivanzira?"

"Hapana babe"
"Tione foni yako"

Akandipa foni. Message yaibva Kuna


Bridget yaiva yakanzi.

*Kana wava free undifonere*


"Tafadzwa Bridget ari kudei kwauri?"

"Ndine 3 months ndisingatauri naye


pamwe ndi Mpume asenda message"

Ndakamutarisa

"Hausi kundi believer?"


"Ndokumbira usatamba nema
feelings angu"

"Izvo handifi ndakazviita. Iwe


hausisiri Anenyasha dza baba asi
wava Anenyasha dza Taffy"
Tafadzwa akadaro achindiradzika
pachifuva chake
"I love you mandlovu wangu"

"I love you Zvayi wangu"

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/Lt6MlwL
G8mrFnvYmBZ1RtL

*From chapter 1 pindai umu EǥE


ǥ*

*ANENYASHA*
*Written by. Makalulue*

*Edited by: Ellena*

*Chapter 19*
*Anenyasha*

Ndiri pa bed naTaffy ndakarara


pachifuva chake tiri kutaura nyaya
ndiri kumuudza nyaya dzinoitika
dzekuchikoro

"Can I ask you something?" Taffy


akadaro

"Yes you can"

"Uchiri kutaura na Munya here?"

"How?"
"I mean anokufonera here or
munotaura pa Whatsapp"

"Takaparadzana na Munya why


tichifanirwa kuita izvozvo?"
"So you mean ini newe tikaparadzana
hautauri neni zve?"

"Tafadzwa chii chandingataura


nemukoma wako? Iwe uri nani
tinotaura ndakakujaira kare. Zvino
mukoma wako ndingataurei naye?
Haajairiki, haaseki anogara akasunga
huso anotyisa"
"Saka waigara sei mu room 1
nemunhu waunotya?" Tafadzwa
akabvunza achiseka

"No he's so sweet asi pakuzotaura


naye ndakasununguka yoo ndozvitya
izvo"
"Okay"

"Nei uchindibvunza izvozvo?

"Nei uchindibvunza izvozvo?"


"Kungobvunzawo hangu"

"Asi family yako paichaziva kuti


tinodanana ichati kudii?"

"Well vanofanirwa kuzvigamuchira


nekuti ini handifi ndakaparadzana
newe. Ndokuda Ane kwete
zvekufungidzira "

"Shuwa here?"

"Ndakakuda kare Ane usati wandiziva.


Ndosaka ndakazofunga kuita fake
account zvose izvo zvaikonzerwa
nerudo. You may not believe me asi
rudo rwandinarwo runobva mumoyo
chaimo"
"Thanks Taffy kukunzwa uchidaro"
ndakadaro ndichinyemwerera

"Nguva dzava Kuma 11 manje


mangwana unofanirwa kuenda
kubasa, takufanirwa kurara"
"Hope hadzibati kana ndinewe
ndoshuvira kuti dai ndaramba
ndakakutarisa"

"Uchanyora maziso angu huya


ndikurarise" Tafadzwa akadaro
achindisimudza achindiradzika pa
bed achindipurudzira kusvika
ndabatwa nehope
Mangwana makuseni ndakamutswa
ne alarm yangu, ko hanti inogara iri
on. Ndakaenda kunogeza ndikauya
ndichimumutsa akatodairira kuhope
hake.

"Asi hausi kuenda kubasa?"


"Ndopinda na 11"

"Okay uchandiendesa here or


ndikwire kombi"

"Ndichakuendesa rega ndigeze


maziso chete zvimwe ndichazviona
pandodzoka"

"Taffy geza ahh nguva dzichiripo"

"Ndine husimbe ini ahh pandodzoka


ndicharara zve" Tafadzwa akadaro
achienda kunokwesha mazino
paakadzoka ndaiva ndatopedza.
Takaenda ku kitchen tikagadzira
chikafu chemakuseni. Tapedza
Tafadzwa akandiendesa kuchikoro.
Takasvika pagedhi

"Thanks" ndakadaro ndichida kubuda.


Akatora USD 30 achindipa
"Ohh Mari ye launch"

"No Tafadzwa ndinayo mari ini"

"Yaunayo ndeyako hanti, nhasi uri


kudya mari yemurume wako"

Ndakaseka tichikisana ndichibva


ndabuda. Tafadzwa akamutsa mota
achienda. Pandakapinda Themba
akanditarisa nerimwe ziso. Yoo
ndakazviparira nekudanana naye.
Ndakadarika nepaari

"Hi Themba"
"Anoshanda kupi?"

"Ani manje?"

"Mukomana wako?"
"Themba please"

"Ndiri kubvunza"

"Harare private hospital"


"Okay" Themba akadaro
achitendeuka achienda

*Narrated*

Mu room ma Mpume maiva makati


zii sezvo Mpume aiva akamirira
mhinduro Kuna Bridget
"Ndipindure Bridget nei wafonera
Tafadzwa nefoni yangu"

"Hapana sisi"

"Chii chamuri kusanganisa na


Tafadzwa"
"Tiri ma friends nothing more"

"Saka nei usina kumufonera nefoni


yako?"
Bridget akatarisa pasi haana
kupindura

"Bridget siyana nevakomana vekwa


Zvayi hanti unondiona ini ndabuda
mavari saka newevo buda mavari"

Bridget akabva atochema


"Chii manje?"

"Ndine pamuviri sisi ndepa Tafadzwa"

"What?"
"I'm sorry sisi"

Mpume akamurova nempama

"Makatanga rinhi kudanana na


Tafadzwa?"
"Hatina kumbodanana na Tafadzwa
musi uya wemuchato wako sisi
takamwa doro tikar-- I'm sorry sisi"

"Makamwa doro zvikazodii"

"I'm sorry"
"Ndati Chii chakaitika after manwa
doro!!!!?"

"Takarara tose"

"Nei Bridget wakadaro? Nei


uchindinyadzisa pavanhu kudaro.
Hunhu hwaiva hwaenda kupi
wakurara na Tafadzwa. Unomuziva
here Tafadzwa paanofamba kuti
anoita nezveyi zvaunongorara naye
without protection?"

"I'm sorry"

"Wamuudza here Tafadzwa nyaya


iyi?"

"Ehe asi haasati ava ready kuva


nemwana achibva akata foni "

"Iwe waifungei Bridget pawairara


naye?" Mpume akadaro achitora foni
achifonera Tafadzwa lucky akadaira
"Maiguru"

"Tafadzwa chii chiri kuitika pakati


pako na Bridget?"
."hapana maiguru"

"Ko mwana waakatakura? Aite sei


naye?"

Tafadzwa haana kupindura


"Ndaiunza munin'ina wangu kuti
andishanyire iwe waitozvionera
musikana wekurara naye"

"Aewa maiguru yaiva mistake taiva


takadhakwa"

"Saka manje Aite sei nemwana


wako?"

Tafadzwa haana kupindura

"Ndipindure Tafadzwa ndati aite sei


nemwana wako? Or unoda ndifonere
vekumba kwenyu ndivaudze"
"No no maiguru ndokumbira
musavaudza munoziva mukavaudza
chii chichaitika"

"Saka aite sei nemwana wako"


"Handizivi "

"Hauzivi Tafadzwa? Hauzivi kunani


nekuti mwana ndewako?"

"I'm not sure kuti mwana ndewangu"


"Wow you're not sure?"

"Yes maiguru ndinokuremekedzai


zvakanyanya asi mwana handisi sure
kuti ndewangu nekuti ndakamuwana
asiri mhandara "

"Ohh ndokwava nenyaya manje"


"Ndichaona kana mwana avapo. Kana
Ari wangu ndichamutora asi manje
handisati ndamugamuchira"

Mpume akakata foni achitarisa


Bridget
"Mangwana tiri kuenda Kwa Zvayi"

"Sisi ndokumbira umire ndimboedza


kutaura na Tafadzwa "

"Uchitaurei naye nekuti watadza


kare?"
"Please sisi"

*Anenyasha*

"Tapedza kuverenga ndava kubuda


Themba akauya achindidhonza
achienda neni kumota yake

"Themba uri kuitei?"

"Kune kwandoda kuenda newe"


Kupi?" Ndakabvunza nekutya

"Uchaona tasvikako"

"Themba siyana neni please "

Haana kunditeerera akandivharira


mumota. Ndakatanga kuchema
ndichiedza kubuda

"Themba ndivhurire ndibude please "

"Ndichakuvhurira asi kwete manje"


Themba akamutsa mota ichienda
kwaaiziva iye ega. Ndakachema
nzira yose kusvika mota yanomira
pachipatara paiva ne board hombe
raiva rakanzi. NEW HARARE PRIVATE
HOSPITAL. Ndakatarisa Themba.

"Tiri kudei pano?"

"Murume wako auya kubasa right?"


"Yes why?"

"Ndichakumirira pano pinda mukati


ubvunze murume wako ubvunze
nevanoshanda mukati office yake"
Ndakatarisa Themba nekushamisika
neiko achidaro? Asi pane zvinhu
zvikuitika pana Tafadzwa zviri
kundijamba? Ko nei Tafadzwa kana
ndichimubvunza nezve basa rake
haaratidzi kuva interested.
Ndakabuda mumota ndichipinda
mukati. Ndakananga ku receptionist
"Makadii ndokumbira kubvunza office
ya doctor Zvayi?"

"Doctor Zvayi?"

"Ehe"
Pinda mukati ubvunze vamwe kuti
aripo here munhu akadaro "

"Okay thanks" ndakadaro ndichipinda


mukati. Ndati fambe ndakasangana
neumwe doctor wechikadzi.
Takamhorosana ndichibva
ndabvunza Dr Zvayi
"You mean Dr Tafadzwa Zvayi?"

Ndakatura befu kumeso kwazara


mufaro.. meaning anomuziva

"Yes" ndakadaro ndichinyemwerera


"Ohh sisi I'm sorry asi Dr Zvayi and
two months asingauyi kubasa kuti
problem yake ndeyeyi neniwo
handizivi nekuti chero achifonerwa
haadairi foni" ndakavhura maziso

"Two months? Hausi confused here?"


"Aewa ndotaura zvinhu zvandoziva Dr
Zvayi akangoshanda mwedzi umwe
apa haana kutoupedza akabva arega
kuuya"

"Okay thanks"

Ndakanzwa muviri uchipera Simba .


Meaning Tafadzwa nguva yose iyi
anga achindinyebera. Haa how come
ndisina kuzvi noticer. Tafadzwa?

*Tafadzwa*

Ndiri mumba Roe taka chilla hedu


apo foni yangu inorira ari Ane.
"Dza Tafadzwa"

"Ndokumbira uuye kuzonditora"

"Okay ndikuuya"
"Ku new Harare private hospital"

Ndakavhunduka

"Kupi?"

"New private hospital"


"Uri kutsvagei ikoko?"

"Ndati huya unditore Tafadzwa!!!"

"Okay ndiri kuuya" ndakadaro


ndichikata foni yangu.
"Ndabatwa red handed "

"Chii manje?"

"Ane Ari ku new Harare private


hospital now"
"Hezvo Ari kutsvagei ikoko?"

"Obvious anga asingandivimbi so


akanonditsvaga kuchipatara"

Roe akaseka
"Uri kusekei manje ini ndiri
panyatwa?"

"Muchazvirega zvekunyeba kana


muchinyenga"
"F*ck off maan"

Ndakatora ma key emota


ndichinopinda mumota ndichienda
kwaiva na Ane. Munzira
ndaingozvibvunza kuti chii chichaitika

Iko ndichati nei ndisingashandi kuna


Ane nekuti neniwo handizivi nei
ndisingashandi. Ndakasvika
kuchipatara ndikamuwana akamira
pagedhi akapeta maoko.
Paakandiona akauya achipinda
mumota

"Babe"
Haana kundipindura ndakamutsa
mota tichienda kumba.

"Hapana zvaunoda here? Tidarike


kuma shops?"

Akanditarisa nerimwe ziso raityisa.


Ndakazvipeta ndichirova mota
yakananga kumba. Takasvika
tikapinda mumba. Ndisati
ndatombogara pasi

"Why?"

Handina kumupindura
"Why wakandinyebera?"

"Ane"

"Nezuro wati wanga wakaneta


nebasa, makuseni wati uri kuenda
Kuma 11 izvo uri kunyeba
hako.ndaenda kubasa kwako hanzi
hauna kumbopedza kana mwedzi
zvawo. Nei wakandinyebera
Tafadzwa "

"Ane babe"

"Usandidana Tafadzwa. Nei


usingaendi kubasa? Uye nei
uchindinyebera?mota iyi wakaitenga
nei iwe usingashandi? Ndokumbira
undiudze chokwadi chii chiri kuitika
pauri Tafadzwa?"

"I'm sorry nekukunyebera Mai


mushavi "
"Ndoda kuziva nei usingaendi
kubasa?"

"Neniwo handizivi "

Akanditarisa achishamisika
"Hauzivi newevo,? Okay hausi kuenda
kubasa for no reason okay mari
yekuzviraramisa unoiwana kupi?"

Handina kumupindura

"Uri kuiwana kupi Tafadzwa?"


"Ane ndiri murume saka ndojingirisa"

"Kujingirisa chii Tafadzwa?


Kujingirisa kwacho kune zita. Saka
iwe kujingirisa kwako ndekupi?"
"Handingakuudzi izvozvo?"

Akanditarisa achishamisika

"Haungandiudzi izvozvo?"
"Yah I'm sorry Ane babe asi
handingakuudzi"

Akaseka achirova maoko

"Kubva ndichikura ndine ma dreams


Tafadzwa handina kumboshuvira
kudanana nemunhu anema secrets,
munhu asingazivi paakamira. Munhu
anonyeba. Nhema dzako dzekutanga
ndadziwana I wish to know
dzakawanda sei nhema
dzaunondinyebera. idzi dzekuti
unondida ndedzechingani?"

"Ndokumbira usataura izvozvo Ane


ndokuda zvakanyanya. Kuti
ndikukunyebera hazvipindi murudo
rwedu I love you so much"
Haana kundipindura akangonditarisa

"Ndokumbira tigare pasi titaure"

"Hapana zvandichataura newe


Tafadzwa "

*Anenyasha*

Pfungwa dziri kuita kudhanganyika


handizivi chii chiri kuitika. zvingani
zvinhu zvandiri kuvanzirwa na
Tafadzwa? Anomboita nezveyi
zvaasingadi kundiudza.
"Ndokumbira ugare pasi tofanirwa
kutaura"

"Ugondinyepera zve"

"Aewa"
Ndakagara pasi, akandibata maoko
asi ndakamusundira uko

"Ndakakunyebera kuti imba iyi ndeya


sekuru ve shamwari yangu
pachokwadi ndeyangu"

Ndakavhunduka
"Ndeyako? Wakaitenga neyi?"

"Ndakaitenga last year"

"Mari wakaiwana kupi yekutenga


imba yose iyi"
"Ndakajingirisa semurume"

"Fuck Tafadzwa!! Hakuna basa


rinonzi kujingirisa!!!"

"Bridget ane pamuviri "


Nhaimwi chii chiri kuitika pandiri.
mukati handiroti here. Pamwe pane
achandimutsa. Zvinhu zvose zviri
kuitika now zviri kuitika in reality here
or ndakarara ndiri kurota?

"What?!!!!!"
"Ane pamuviri pe mwana wangu kana
iye achitaura asi ini handisi sure"

Misodzi yakayerera pandiri

"Nei Tafadzwa? Nei? Hatisati


tambopedza chero svondo zvaro
tichidanana asi watondirwadzisa
marwadzo ese aya"

"I'm sorry babe but hat---"

"But what Tafadzwa? !!"


"I promise babe hapana zviri kuitika
ini na Bridget takangorara musi uya
chete. Ati ndipo paakabata nhumbu
worse part takarara takadhakwa"

"Saka unoda kuti ini ndiite sei


Tafadzwa? Huh!! Ndigare mu
relationship inema drama
nenhema.wakuzoita baba Tafadzwa
and mutemo wekwenyu unouziva
kuchanzi muroore Bridget then
ndosara ndichiitei?"

"Handingaiti izvozvo Anenyasha


dzangu. Kana ndichifanirwa kuroora
ndiwe wega wandicharoora"
"Taffy zvinhu zvawandiudza
zvinondiremera ini handingagoni
kuzvimirira"

"Unorevei manje kana uchidaro?"

"Ndiri kuti ngatimbomira nezvatanga


tichida kuita, zvagara ini newe tanga
tisati tapinda mu serious relationship
tanga tichambozama. Kuenderera
mberi ndichidanana newe
ndingarwara ne blood pressure
ndichataura kwehupenyu hwangu
hwese. Ndichagara ndichinzvenga
zvinhu zvakawanda"

"Uri kundiramba?"
"Handingakwanisi kudanana
nemunhu anonyeba sewe. Munhu
asingazivi zvaanoda muhupenyu
hwake. Tafadzwa unoziva mukana
wauri kutambisa uyu vakawanda sei
vanouda. Une degree yehu doctor asi
iwe uri kuitambisa. Ukazowana zve
basa racho ukaritambisa. Ini newe I
think tiri mvura nemafuta Saka
ngatibve tatosiya zvinhu zvatanga
tichida kuita"

Tafadzwa akatarisa pasi.


Ndakasimuka ndichienda mu room
make ndichitora bag rangu. Pandaida
kuenda akandibata ruoko

"Ndokumbira usandidaro Ane. I know


kuti ndine ma problems hobho uye
akakonzerwa neni asi
ndinokuvimbisa Ane ndichazvichinja
zvose izvi"
"Chii chauchachinja Tafadzwa?"

"Zvose zvaunoda kuti ndichinje


ndichazviita"

"Kumba kwenyu vanoziva kuti uri ku


Harare uri kushanda uri doctor but no
naivowo uri kuvanyebera iwe uri
kujingirisa kuno"
"Babe ndokumbira usandiramba
please"

"Ndokumbira undisiye Tafadzwa


ndiende"

"Ndati ndichagadzira nzira dzangu


ndigova Tafadzwa waunoda.
Ndinokuda zvakanyanya Ane kuti
ndingarasikirwa newe. Please Mai
mushavi haungadaro Kuna Zvayi
wako"

Ndakatendeuka ndichibuda door.


Akanditevera achimhanya asi
zvaipinda neuku zvichibuda uku. I'm
done na Tafadzwa. Ndakasvika
mumugwagwa ndikamisa kombi
ndikaenda kwandinogara
*Bridget*

Makuseni ndaiva ndakarara


ndakapeputswa na Mpume
akandimutsa

"Muka tiri kuenda"


"Tiri kuenda kupi manje?"

"Bridget hauzivi kwatiri kuenda


zveshuwa or uri kundivhairira?"

"Please sisi ndati ndichataura naye


Tafadzwa"
"Tiri kuenda manje"

Ndakamuka ndichinogeza, tapedza


takanopinda mumota. Shuwa Mpume
aita kutokumbira mota yevanhu
nekuda kuti tiende kwana Tafadzwa.
Ndotya ini handidi kuenda pamusha
paya.
Munzira hapana aitaura neumwe.
After some hours takasvika mudunhu
rekwana Tafadzwa. Mpume akamisa
mota achitora foni yake. Achiibaya
baya achiisa munzeve

"Munya uri sei?"


"Mushe Mpume kuri sei?"

"Mushe, ndokumbira kubvunza uriko


kumba here?"

"Ehe ndiriko?"
Ndokumbira kuti uuye pama shops
uchaona mota iri pa corner pasi
pemuti"

"nei usina kuuya kumba?"

,"Please Munya "


"Okay ndiri kuuya"

Mpume akakata foni. Takagara


kwema minutes Munya akasvika
achipinda mumota. Akatarisa Mpume
achitarisa ini

"Nei uchindidanira pano Mpume"


"I'm sorry Munya nekukunetsa Bridge
ane pamuviri pa Taffy?"

"What?" Munya akadaro achinditarisa.

Ndakamuudza nyaya yose


"Wambotaura na Tafadzwa?"

"Yah asi haana basa nazvo"


ndakadaro

"Haana basa nazvo sei Ari iye


akaitanga" Munya akadaro achitora
foni yake achifonera Tafadzwa
"Broe" Tafadzwa akadaro

"Taffy ndina Mpume na Bridget pano


vandiudza zvinhu zvawakaita"

"I'm sorry nhasi handisi mu mood


yekutaura nezvinhu zvevanhu
vasingakwanisi kuvhara makumbo"
Tafadzwa akadaro

"Hausi mu mood sei ? Pawairara naye


waiva mu mood?" Munya akadaro

"Heyy heyy ndine ma problems angu


ini akandimirira musada
kundiwedzera mamwe ma problems
siyanai neni please"

"Ma problems Acho akaitwa nesu


here?"

"Ndine case hombe yakakosha


yandoda kugadzira musandiunzira svi
case svenyu svakadhakwa. Siyanai
neni please!! Ndamuudza Bridget
wenyu kuti ndichaona kana mwana
azvarwa Saka chii chamuri kuda!!
Please siyana neni zvandiri kutaura
Shona yepamuzinda Wani!!!!"
Tafadzwa akadaro achikata foni

Takatarisana tose mumota. Munya


akadzungudza musoro achiedza zve
kufonera Tafadzwa. Ndakatarisa
Mpume
"Haadairi"

"Haachadairi uyu Tafadzwa


anodherera maan"

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/Lt6MlwL
G8mrFnvYmBZ1RtL

*From chapter 1 pindai umu EǥE


ǥ*

*ANENYASHA*
*Written by. Makalulue*

*Chapter 20*

*Munyaradzi*
Nyaya yemukomana uyu ini
handichazivi manje kuti ndichaiita sei.
Akadaro anodherera futi Tafadzwa
angati achaona nemwana sei iye
akarara na Bridget

"Unofanirwa kuudza vabereki vako


Munya, taedza kutaura naye Taffy
zvaramba" Mpume akadaro
"Iwe nei usingatauri navo"

"Handidi kupinda kumba kwenyu


Munya unoziva why"
"Saka uchadzokera pano usina kuona
vana here?"

"Ndivo vaita kuti ndimire pano


vanozondichemera"

"Okay ndichataura na baba na


mhamha ndovatsanangurira nyaya
yose"

"Okay ndokumbira undifonere


undiudze kuti vati kudini"

"Okay"
"Takuda kuenda isu"

Ndakabuda mumota

"Mufambe mushe"
Mpume akamutsa mota achienda
neniwo ndakaenda kumba.
Pandakangopinda pagedhi ndakaona
Jay akamira pagedhi akapeta maoko

"Boy "
"Nei vasina kutiona"

"Ani?"

"Mhamha or ndoti maiguru Mpume"


Ndakatarisa mudenga

"Jay mhamha kune kwavanga


vachimhanyira. Dai vakuona vanga
vachanonoka kwavari kuenda"
"Ko nhai mhosva yedu ndeyeyi
muchitivenga kudai muri vaviri"

"Jayden hazvisirizvo unoziva wani


kuti tinokudai"
"Ini hangu ndokumbira kunogara na
bamnini Tafadzwa "

"Unoziva wani kuti izvo hazvingaitiki "

"Hazvingaitiki nei baba? Nekuti


bamunini Tafadzwa ndiye ega munhu
wandino feeler comfortable kana
ndinaye"
"Tafadzwa anoshanda haana nguva
yekuswerotarisana newe"

"Ndakura baba ini ndinozvitarisa."


Ndakabva ndamusiya pagedhi.
Mupfana zviito zvake ndezva Taffy
chaiye ayy. Ndakabva ndaenda
kumuzinda. Baba mazuva ano
ndakuvatya. Kubva zvakaitika nyaya
yangu na Mpume vakatora decision
yekuti Tichaona ndiye akuzoita
Mambo. Ndakapinda ndichigara pasi

"Zvayi"
"Uri kudei pano"

"Nyaya yacho inoda vana mhamha


varipo"

Ethan akasimuka achinovadana.


Vakauya vose pamwe chete na
Maidei

"Taura nyaya yako" baba vakadaro

"Pandabuda pano ndanga


ndichinosangana na Mpume"
"Mpume? Nei asina kupinda?"
Mhamha vakabvunza

"Aramba ati anotya"


"Yah aita zvakanaka nekusapinda"
baba vakadaro

"Anga achifamba ne munin'ina wake


Bridge ati ane pamuviri pa Tafadzwa"

Vanhu vose mumba vakavhunduka


ndakavatsanangurira nyaya yose
"Eyy vana ava shuwa. Tafadzwa
veduwe ayy" Mamoyo vakadaro

"Bridget ndamutora semwana ari


right izvo ane mashiripiti" Maidei
akadaro
"Neniwo ndanga ndisingamufungiri
kuti angaita zvinhu zvakadaro"
mamoyo akadaro

"Tafadzwa wee chiiko mwanangu!!"


Mhamha vakadaro
Mukomana uyu chiiko naye.
Akuzviona semurume iye.
Akukwanisa kunhumburisa iye.
Ndomuda pano auye kuzogadzira
zvinhu zvaakaita!!"

"Saka kana zvadai chii chichaitika


baba?"
"Hapana zvimwe kunze
kwekumuroora atova mukadzi wake"
baba vakadaro vachitora foni
vachifonera Tafadzwa

"Iwe mpfana!!"
"Baba makadii?"

"Baba makadii zvekupenga!! Chii


chawaita Kwa Sithole ?"
"Baba ndaiva ndak--"

"Hapana chandoda kunzwa chinobva


kwauri kupera kwe mwedzi
ndinokuda pano uuye kuzoroora
mwana wawakanhumburisa zviri nani
wava kushanda uchakwanisa
kumuchengeta!!"
"Baba handim--" baba vakakata foni

"Vakomana vepano vose madununu


newaunenge uchifunga kuti ndiye
waunovimba anobva atokunyadzisa
wesi!!" Baba vakadaro.

Ndini ndiri kurehwa ka apa


*Tafadzwa*

Ndaiva ndakarara bhodhoro rangu


redoro riri pamsoro pangu, ndikare
ndichimwa. Handizivi kuti Chii
chandofanirwa kuitira mwana uyu
kuti aone kuti ndinomuda.
Ndanga ndisina choice asi kumuudza
chokwadi. Neniwo handizivi kuti
ndingati basa ndakasiirei. Reason ine
musoro handina. Ndakangonzwa
ndisisade kuenda kubasa ndikarega .
Handikwanisi kumanikidza ini. Kana
chinhu ndisingachadi handichiiti.
Ukuvo baba vari kuti ndiroore Bridget.
Izvo hazviitiki manje. Handiroori
munhu wandisingadi ini. Ndakanzwa
munhu achindirova musoro
"Dude muka ndikare ndichikufonera
usingadairi ma calls angu"

"Roland uri kudei pano


unondikanganisa mhani"
"Unopenga kukukanganisa chii iwe
wakarara? Hona wakadhakwa sei"

"Aenyasha andiramba"

"Waitei"
"Aziva chokwadi neni, neniwo
ndikamuudza zvose"

"Wamuudza zvose zvose?"


"Aewa ndizvo zvamubhowa izvozvo
kuti ndarambirei kumuudza"

"Ayy dude that girl will come around


she loves you"

"Handifungi kudaro Roe mwana anga


akanditsamwira uya"
"So iwe you will give up just like that"

"Aewa asi hazvisi nyore shaar ndine


ma problems hobho ini"
"Ndezvipi zvimwe zve"

"Bridget aenda kumba vakandiudza


kuti ndofanirwa kumuroora"

Roland akaseka
"Uri kusekei iwe uchiona ndiri
mumatakanana akadai?"

"Yah une problem hombe dude"

"Saka uchatomuroora"
"Handiiti zvekupenga ini, kana
vachida kumuroora ngavamuroore
Ivo vasiyane neni"

"Haisi problem yangu iyo. Ini problem


yangu iri Kuna Anenyasha kana
vachida kundiroodza ngavandiroodze
na Anenyasha yah ndichabvuma
kwete gukurahunde rinozviti Bridget "
"Ayy shaar wadhakwa iwe wadii
kurara. Hona pfungwa dzako
dzakutiza manje"

"Ndoda kufonera Anenyasha manje"


"Husiku manje uye haungakwanisi
kutaura naye wakadai uchaita zvinhu
zviite worse"

"Kana ndikasataura naye vamwe


vomutora?"

"Hapana achatora Anenyasha


ndewako Ane"

Ndakanzwa maziso angu achineta


zvekuda kurara chaiko.
Ndakadhakwa guys ndatanga kare
kumwa doro asi ndicharara sei
ndisina kufonera Ane. But
ndikamufonera ndichaita zvinhu
zviite wesi. Roe Ari kutaura chokwadi
rega ndirare ndichamuona
mangwana
*Anenyasha*

Handizivi kuti ndanyora sei bvunzo.


Handidi kunyeba handisi right.
Tafadzwa handidi kuona chero
paatsika. Type dza Tafadzwa
dzinenge dzichingoda kurara
nevasikana dzovasiya vakadaro.
Ungamuda sei munhu iwe
uchimunyebera. Tafadzwa
andinyebera nezuro. Uye chinhu
chandoda kuziva kujingirisa kwake
anenge achiitei.

Kuti arikuita zvema drugs? Or itsotsi?


But how nekuti Tafadzwa akadzidza
kwemakore akawanda ndipo
paanozoda kuuraya carrier yake just
like that. Ndakasvika kumba
ndichibva kuchikoro foni yangu
yaingorira aiva Tafadzwa ndanga
ndaisiya kumba nekuti kubva
makuseni anga achingondinetsa.
Ndakatora foni ndichiitarisa

Yaiva nehobho yema missed calls.


Ndakavhura Whatsapp naiyovo yaiva
ne hobho yema message a Tafadzwa.
Nxaa Tafadzwa anondijairira uyu.
Ndakaisa foni pasi ndichienda
kunogadzira chikafu. Foni yangu
yakaramba ichingorira zvekuti
ndakapedzisira ndadaira
"Uri kudei Tafadzwa?"

"Finally thanks babe"

"Uri kudei?"
"Kukumbira ruregerero.
Ndinozvisvora nezvinhu zvandaita,
ndaiva ndisingafanirwi kukunyebera.
Ndinokuvimbisa babe from now on
ndichava honest kwauri"

"Haufi wakarega kunyeba iwe"


"Please babe"

"Kuswera mangwana ndiri kuenda


kumba"

Neniwo ndiri kuenda haudi here kuti


tiende tose"
"Handidi kuenda newe Tafadzwa"

"Bridget aenda kumba, hanzi


ndofanirwa kumuroora"

"Makorokoto"
"No babe handimudi Bridget ini.
Munhu wandicharoora ndiwe. Ini
ndoda iwe chete Ane "

"Unondida usingadi kundiudza kuti uri


kuitei muhupenyu hwako"
"Ndakuudza Wani kuti ndinojingirisa"

"Haisi mhinduro iyo Tafadzwa "

"Okay ndokumbira kuuya ikoko


nditaure newe face to face "
"Handidi "

"Unondirwadzisa Ane"

"Bye Tafadzwa " ndakadaro


ndichikata foni yangu ndichitora
chikafu changu ndichidya.
Akandifonera zve asi handiidairi
*Narrated*

Prince aiva akagara na Leeroy.


Airatidza kuti zvaaifunga zvihombe

"Uri kufungei kudaro Prince?"


"Ndiri kufunga Tafadzwa hangu"

"Kuti adii?"

"Zvinhu zvaatiita wamuona here kuti


atidzinga sembwa"
"Haa dude nazvino?"

"Usandiudza kuti kwauri zvapera?


Munhu uyu atidzinga sembwa kutiisa
zvibhakera kunge vana vadiki"

"Hazvirevi chinhu shaar nesuwo


tamudenha ka"
"We were joking dude. Ini kwandiri
hazvina kupera"

"Usadaro Prince"

"Uchaona iwe zvandichamuita"


"Usaita zvinhu zvichakupinza
munjodzi, unomuziva Tafadzwa ari
dangerous sei,"

"Handina basa nazvo izvo parizvino


ndoda kuti zvinhu zvaari kuda
asazviwana"
"Unorevei manje Prince"

"Uchaona wega"

"Prince please ndokumbira kuti


uzapinza vanhu vasimo munyaya iyi"
"Mira uone chete iwe"

******************

Ane aiva akagara mumba na Nicole


vachiona TV
"Ane" Nicole akadaro

"Hmm" Ane akadaro

"Gara zviya wati unoenda rinhi


kumba?"
"Mugovera ko iwe?"

"Monday I think"

"Okay"
"Ane I'm sorry nemashoko
andakataura kwauri about Tafadzwa"

"No it's fine Nicky I think you were


about Tafadzwa "

"Haa aita sei manje?"


"Pane zvinhu zvaari kuita
zvandisinganzwisisi but it's fine now
taparadzana"

"Ohh sorry chomie pamwe anga asiri


wako wako uchamuwana"

"No ayy nyaya dzemijolo handichadi


ndakuda kumira nazvo ndimboita
zvechikoro"

"Okay chomie Rega ndimbofurwa


nemhepo ini kune kwandoda kuenda"

"Okay Nicky rega ini ndimborara


zvishoma" Anenyasha akadaro
achisimuka achienda mu room make
**************

Nicole paakabuda akaenda kune


imwe bar kwaaiva avimbisana
neumwe murume kuti vachasangana
akawana atosvika"
"Ndanga ndichiti hauchauyi ka ini"

"Kana ndanga ndichambotsvaga


information " Nicky akadaro

""Talk about business"


"She's going on Saturday Saka
pamwe anogona kudzoka asisiri
mhandara who knows?"

"Yah tofanirwa kukurumidza


zveshuwa. Zvinhu zvauri kutaura
ndozviona"

Murume uya akaburitsa Mari achipa


Nicky. Nicole akaitora achiiverenga
yaiva USD2000

"USD 2000 ishoma iyi"

"This is deposit imwe uchaiwana


wapedza basa"
"Okay I see what about nhasi husiku?"

"Uchakwanisa kumuita kuti abude


here?"

"Haanetsi uyo usatya"


"Okay ndichanzwa newe wakutiudza
kuti titange basa"

"One time" Nicole akadaro


achisimuka achienda..mufaro
waisvika seri kwenzeve nekuda
kwemari

****************
Mai Sarah vagara nguva yakareba
vari kumba kwavo. Now vakufunga
murume wavo pamwe chete nevana
vavo asi mushavi wavo anoratidza
kuti haachadi nezvavo. Zhou achiri
kurwadziwa nenyaya yekuuraiwa kwe
mukadzi wavo. Mai Sarah ndikare
vachiedza kutaura na Zhou asi
anoratidza kuti haachatodi nezva Mai
Sarah.
Nhasi Mai Sarah vafunga kuenda
kumurume wavo kunotaura naye.
Vakabuda vachienda, Vakasvika
vakapinda mukati. Lucky Zhou aivapo
aiva akagara nemwana wavo Paida.
Paida paakaona Mai vake akafara
zvakanyanya achivamhanyira
achivahaga

"Mhamha ndakagumai kare"


"Ndauya mwanangu" Mai Sarah
vakadaro

"Uhhm regai ndimbonozorora mu


room mangu ini" Paida akadaro
achienda mukamuri make

Chinangwa chake chaiva chekuda


kupa vabereki vake mukana wekuti
vabereki vake vataure

"Mushavi"

"Uri kudei pano mai Sarah?"


"Yareba nguva Mushavi ndisipo pano
ndokumbira undiregerere"

"Zvino kana nguva yareba zvichaita


kuti Chenge adzoke here?"

"Mushavi ndoziva kuti


ndakakanganisa uye ndiri kuzvishora
siku nesikati. Ndokumbira
usandidzinga Mushavi pano, ndiri
kukufunga pamwe chete nevana
vedu"

"Hapana zvandichataura nemhondi


ini"

Mai Sarah vakagwadama mberi Kwa


Zhou vachiedza kunyengerera
murume wavo. Asi murume wacho
airatidza kuti haachadi nezva Mai
Sarah.

"Mai Sarah ibva pamusha pangu


ndisati ndaita zvinhu
zvandichazvishora nazvo"

"Mushavi ndokumbira ruregerero


Kani"
"Wandiwana ndakazvigarira
murunyararo wauya iwe wava
kundiitira noise. Buda pamusha
pangu ndisati ndakuita chirema?!!"

Mai Sarah vakaona kuti nyaya


yakaoma iyi. Vakasimuka vachibuda
misodzi ichiyerera
*Tafadzwa*

Ndakagara mumba ndikumwa doro


rangu ndikungofunga Anenyasha
chete. Zvinhu zvaandiita Ane
zvinorwadza zvakanyanya. Ndomuda
mwana uyu. Ko haazvioni neiko.

No handingarasikirwi na Anenyasha
ndiye ega hupenyu hwangu.
Ndakasimuka ndichipfeka jacket
ndichitora ma key emota
ndichinopinda mumota. Ndakaimutsa
ndakananga kunogara Ane.
Ndakamutengera burger
nezvimwewo zvaanofarira.
Ndakamisa mota pagedhi .
Zvichakadaro ndakaona romza wake
achipinda mukati. Ndakamuridzira
huta achibva auya kwandiri. Aifamba
neimwe attitude inosvota argg maan.
Mwari wangu ndibatsirei mwana uyu
asandiitira attitude nekuti angabva
pano asisina rimwe ziso.
"Yah uri sei Nicole"

"Yah Tafadzwa"

"Ndokumbira undidanire Ane"


"Anenyasha akarara ati anoda
kuzorora"

"Ndokumbira umumutse umuudze


kuti ndiri pagedhi"

"Wakuda kumurwadzisa zve?"


"Asi unoda ndirwadzise iwe"

Akanditarisa achirola maziso

"Ndidanire musikana wangu or


ndipinde"
"Varume havabvumirwi kupinda"

"Ini ndopinda kana ndashaya zvandiri


kuda"

"Haubvumirwi kupinda Tafadzwa*


"Uchamudana Ane here or ndipinde?"

Akatendeuka achipinda mukati.


Ndakabuda ndichizembera mota.
Zvichakadaro foni yangu yakarira.
Ndakaitarisa ndichinyemwerera
ndichidaira
"Ane babe"

"Taffy uri kudei?"

"Ndoda iwe babe"


"Ndokumbira usadaro Tafadzwa
unoziva ndiwe watanga zvese izvi"

"Yes ndini ndazvitanga ndokumbira


kuzvigadzira"

"It's over Tafadzwa hapana


zvatichataura"
"Okay ndakupinda nekuti ndoda
kutaura newe"

"Tafadzwa uchanditukisa unoziva last


time pawakapinda ndakapinda busy"

"Handina basa nazvo ini ndakupinda"


ndakadaro ndichikata foni yangu
Pandaiva ndakupinda foni yangu
yakapinda message Ari Ane
aindiudza kuti ndisapinda Ari kuuya.
Ndakanyemwerera ndichibva
ndamumirira. Ndakamuona
achibudikira aionekwa kuti arikubva
kuhope. Akananga straight kwandiri.

"Unopenga here Tafadzwa "


"Mai Tawedzerwa uri sei?"

"Tafadzwa uri kudei pano?"

"Ndaedza kukupa space Ane asi


ndatadza. Ndiri kutadza Ane. I'm
nothing without you "
"Siyana neni Tafadzwa handichakudi
hapana chichachinja"

"Tanga wanondirutsisa kuti ndisiyane


newe"
*Anenyasha*

Ndinomurutsisa? Anopenga here


mukomana uyu?

"Ndinokurutsisa?"
"Yes babe hanti wakandidyisa here?
Chienda unondirutsisa ndisiyane
newe "

Ini nemushonga? Hezvo Tafadzwa


unondishurira?"

"Hakuna kwandinoenda usina


kundibisa chidyiso chawakandiisa"
"Unopenga here Tafadzwa?"

"Ehe ndopengeswa newe Ane.


Haunga mbonditi kuti ndikude
pedzezvo wondisiya ndakadaro "

"Hapana zvandakakuita Tafadzwa


iwe unopengeswa nembanje
dzaunosvuta"

"Tiri kuenda kumba kwangu manje"

"Forget and smile"

"Anenyasha handidi kuzoita zvinhu


zvive worse patiri"

"Ohh now I see vanhu vakawanda


vaindiyambira newe asi handina
kuvateerera. Vaitaura chokwadi kuti
iwe unongoda chinhu chimwe chete
pandiri"

"Chii chandiri kuda kwauri?"


Tafadzwa akabvunza achiratidza
kusvotwa nezvandaiva ndataura

"Unoda humhandara hwangu that's


why uchinditeverera kudai
Hanti ndakuramba usati wazadzikisa
chishuviro chako. Ndakuona
Tafadzwa kuti uri type ipi
yemukomana. Uri type ye vakomana
vanorara nevasikana vovasiya just
like that sezvawakaita pana Bridget "

Akasunga huso achinditarisa. I don't


care zvagara chokwadi chinorwadza

*Anenyasha ndakauya kwauri


ndichida humhandara hwako? Ndiani
akakuudza izvozvo? Iko unopinzirei
vanhu mu relationship yedu? "
"Hapana munhu wandapinza asi
ndizvo zvaunoda iwe. Unongoda
kurara neni wondisiya that's why
wakunyebera kundida zvakanyanya "

"Anenyasha " Tafadzwa akadaro


achinditarisa kwenguva yakareba
achibva atendeuka achipinda
mumota yake
Ndakaona achikanda plastic bag
achimutsa mota yake achiimhanyisa.

Ndakashamisika nazvo, ndakaitarisa


mota yake kusvika isingachaonekwi.
Apa nguva dzaiva dzava Kuma 8pm
asi kunze ungati masikati nekuti ma
light akabatidzwa nzvimbo yose.
Ndakaswedera pa plastic
ndichiivhura mukati maiva be burger
ne drink, ndakaitora, handingarasi
chikafu zve. Pandaiva ndakupinda
pagedhi pakabudikira mota ye silver
yakasvika ichimira pedo neni.

Pakabuda umwe murume


akamhanya achiuya kwandiri.
Pandakati ndimhanye ndipinde
mukati aiva atosvika akandibata
ruoko achindidhonza achindisimudza
kunge mwana mudiki. Ndakaridza
mhere

Akamhanya neni achindipinza


mumota kumashure. Uya
wekundisimudza ndiye akachaira.

"Ndokumbira mundisiye please


matora munhu ari wrong handisirinhi
wamuri kuda" ndakadaro
ndichichema

"Fotsek shut up bitch!!!"

Ndakanyarara same time sezvo


ndaiva ndatendekwa nepfuti.
Ndaingonamata mumoyo kuti
ndisauraiwa. I wonder ndiri kuendwa
neni kupi. Ohh God please save me.
Dai hangu ndateerera Tafadzwa
ndikaenda naye

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/Lt6MlwL
G8mrFnvYmBZ1RtL

*From chapter 1 pindai umu EǥE


ǥ*
*Anenyasha*

*Written by. Makalulue*

*Chapter 21*
.
*Narrated*

Nzvimbo inogara vana Anenyasha


panoonekwa imwe mwana akapinda
achimhanya mushure mekunge aona
murume atora Anenyasha. Akapinda
mu room make achimhanya. Roomza
wake akamutarisa achishamisika

"Tanya chiiko?"

"Ndi Anenyasha!!!" Tanya aitaura


achichema
"Aitei Anenyasha?"

"They kidnap her!!"

"What?"

"Pane mota yasvika ichimira pake


Paida pakabuda umwe murume
akasimudza Anenyasha. Ane anga
achichema zvinoreva kuti anga
asingamuzivi"

"Are you sure about that?"

"Yes Paida they kidnap her"


"Okay ngatifonere mapurisa" Paida
akadaro achifonera mapurisa

Within a minute vadzidzi vaiva


vatozara sezvo vaiva vamunzwa
Tanya achi screamer, pavanhu ava
Nicole aivapowo. Nicole paakanzwa
izvi akavhunduka nekuti nyaya kana
yava kumapurisa vanhu vacho
vakabatwa naiyevo zvinomuomera.
Akabva atobuda achienda mu room
make achifonera murume
waanoshandidzana naye.

"We are in trouble " Nicole akadaro

"Trouble yeyi manje?"


"Pane umwe mudzidzi akuonai
muchitora Anenyasha zvino vafonera
mapurisa "

"Saka isu topinda papi ipapo?"

"Hezvo mapurisa achaita


tsvakurudzo mugobatwa"

"Hakuna zvakadaro chero vakatsvaga


sei hapana chavanowana chero
pama CCTV avo hapana
chavachawana"

"Okay good then"

"Yah iwe act calm nekuti mapurisa


achatanga newe kukubvunza
mibvunzo sezvo uchigara naye isu
kuno tichaona kuti mhosva toipa ani "
"Hayi ini musandityira hapana
chavachaona " Tanya akadaro
achikata foni achidzokera kune
vamwe vadzidzi

"Tanya number plate yemota waiona


here" Nicole akabvunza
"Aewa zvangoitika fast
ndisingafungiri"

"Colour yemota?" Nicky akabvunza

"Hapana zvandaona Nicole asi iye


vamutora"
Ma security akasvika achibvunza
zvaiitika Tanya akavaudza nyaya
yose. Mapurisa naiwovo akasvika

"Chii chiri kuitika pano?" Mupurisa


akabvunza

"Pane mudzidzi akdnepiwa?" Tanya


akadaro

"Anonzi ani Zita rake?" Mupurisa


akabvunza

"Anenyashadzashe Zhou"

"Okay Anenyashadzashe Zhou, sezvo


uchigara naye mu same room
sevasikana munotaura zvinhu
zvakasiyana uye mava ma friends"

Nicole akatarisa pasi"

"Anga ane muvengi here?"


"Aewa Anenyasha handifungi kuti ane
muvengi ini" Nicole akadaro

"Pane munhu waakambonetsana


naye here?"

"Aewa"
"Kusvika akdnepiwa abuda achiti ari
kuenda kupi?"

"Kune ex yake" Nicole akadaro

Mapurisa akatarina achidzungudza


musoro.
"Anga anodii ku ex yake?"

"Handizivi ini pandanga ndichibva


kunoona shamwari yangu ndawana
mota ya Tafadzwa yakamira pagedhi
ndipo paandikumbira kuti
ndimudanire Anenyasha, sezvo
Anenyasha anga andiudza kuti
havasisiri vose ndamuudza kuti
hazviiti kuti ndimudane, ndipo paazoti
achapinda. Ini nekuti ndanga
ndisingadi kuti apinde ndaenda
kunodana Anenyasha "

Mupurisa ainyora pasi zvose


zvaitaurwa na Nicole

"Zvikazodii?"
Ndapinda mukati ndikamuudza
Anenyasha asi aramba kuenda after
some minutes azoenda nekuti anga
achitya kuti pangazoitika zvakaitika
pekutanga"

"Asi Tafadzwa akambopinda


kumashure"
"Ehe akapinda mushure mekunge
varwa ndipo pakapihwa Ane
warning"

"Wavaona here vari pamwe chete?"

"Aewa handina ini ndanga ndichiona


TV"
"Okay tinotenda nekutibatsira
Anenyasha tichamuwana" mapurisa
akadaro achienda kune vamwe
vadzidzi vaitaura nezvenyaya ya Ane

"Pane Ane ruzivo here pano


nezvaitika Pana Anenyasha?"
"Ini ndamuona Anenyasha akamira
nemota ye Mercedes Benz kumira
kwavo vanga vachitmratidza kuti
vanga vachirwa"

"Nicole address yekumba Kwa


Tafadzwa unoiziva here?"

Nicole akatarisa foni yake achibva


avapa. Zvichakadaro ma security
akasvika pavari

"Taedza kutarisa CCTV hapana


chataona isu"

"Aewa musanetseka munhu aita izvi


tamuwana achamubudisa Anenyasha
" mapurisa akadaro achienda
*Tafadzwa*

Ndakasvika kumba ndikawana Roe


akagara. Ava kuita madiro pamusha
pangu Roe. Akupinda nguva yaanoda
obuda nenguva yaanoda.
Ndakazviparira nekumupa ma key.
Ndakasvika ndikagara pasi
ndikamuudza nyaya yose
"Calm down newevo ayy"

"Ko nei vanhu vose vachifungira kuti


Pana Ane ndoda humhandara hwake"

"Taffzo unovaziva vanhu


vanongotaura chero chii chavada
usavatevedzera"
"I think Ane Ari right rudo rwedu
harushandi. Handimudi Ini munhu
anopinza vamwe vanhu murudo
rwedu. Ane ndomuda zvakanyanya
asi haazvioni. Anofunga kuti ndoda
humhandara hwake ndobva
ndamusiya akadaro "

"Ihasha chete mupe nguva dude"


",Ane ndomuda kwete zvekunyeba
but I think ndofanirwa kumusiya
aende kune avo vanomuda
zvekurevesa kwete ini ndinomudira
hu mhandara "

"I understand "


Zvichakadaro mapurisa
akasvika.takasimuka na Roe
tichivatarisa

"Tadii manje this time?"

"Haa ko ndiwe wanga uchirehwa?


Haa iwe haurambirwi unozviita"
"Taura nyaya yako sayijeni"

"Tauya pano kuzotora Anenyasha


Zhou"

Ndakavhunduka Hana ichirova.


"Aitei Anenyasha?"

"Sir Anenyasha a kidnapiwa proof


yose iri kwauri"

"Ane akdnepiwa?" Ndakabvunza


ndichishamisika
"Usanyebera kushamisika ndiwe
wamu kidnepa" mupurisa wechikadzi
akadaro

"Mopenga here imwi.. mofanirwa kuti


dai muchinotsvaga munhu a kidnepa
Anenyasha!!'
"Sayijeni pindai mumutsvage imba
yose" mupurisa akadaro

Ndakamhanya ndichida kubuda asi


mupurisa akandibata

"Heyy heyy dzoka unofunga ungatiza


uchienda kupi?" Mupurisa akadaro
vachindibata
"Handisi kutiza maan ndisiyeyi
ndiende kunotsvaga Anenyasha"

"Kumutsvaga kupi nekuti unofanirwa


kutiudza kwawamuisa"

Mapuri akadzoka mushure


mekukudubura zvinhu zvose
"Tamushaya" umwe mupurisa
akadaro

"Wamuviga kupi Anenyasha iwe?"

"Ndakuudzai kuti handina kumutora


ini. Ndisiyeyi maan ndinomutsvaga!!!"
"Ari kutaura chokwadi haazivi kwaari"
Roe akadaro

"Chii newe? Asi newevo uri involve


muku kidnaper?"
", Musataura zvinhu zvamusingazivi"

Wamuguma rinhi Anenyasha "

"Maybe hour ago"

"Manga muchirwirei na Anenyasha


vanhu vakuonai muchinetsana"

"Ini na Anenyasha tanga tichinetsana


sezvinongoita vanhu vanodanana"

"No wava ex boyfriend akuramba


Anenyasha "
",Hazvisi zvinhu zvandingataura newe
izvo"

"Mushure mekunge waona kuti


warambwa wabva wati better ndimu
kidnepe"

"Mopenga here imwi? Chipurisa


chenyu ichi asi makachipinda ne back
door?"

"You're under arrest for kidnaping


Anenyasha Zhou " mupurisa akadaro
vachindiisa njems

"Handina zvandaita ini!!"


"Zveshuwa sayijeni Tafadzwa haana
zvawaita imwi endai munotsvaga
munhu aita izvi"

Vakandidhonza vachinondipinza
mumota Roe aingotevera kumashure.
Ini pfungwa dzangu dzaingofunga
Ane kuti Ari safe here kwaari
*Anenyasha*

Mota yakanditora yakafamba nguva


yakareba kusvika yanomira pane
umwe musha. Vakandidhonza
vachindipinza mukati

"Ndokumbira mundidzosere
kumashure please " ndakadaro
ndichichema
Havana kumbonditeerera
vakandipinza mune rimwe room.
Ndakawana mune vamwe baba vaiva
vakura vaityisa. Ndakarohwa nehana
nekuti baba ava vaionekwa kuti iri
ibhuru rematsotsi chairo. Ndakasara
padiki kysviitira wiwi

"Tasvika boss"
"Ndikare ndakakumirirai asi
mashanda" baba ava vakadaro
vachinyemwerera vachisimuka
vachiseedera pandiri

Ndakadzokera kumashure ne reverse


kusvika ndablockewa nemadziro.
Akaswedera pandiri achifemera
mumusoro mangu. Ndakavhura
maziso angu ndichichema.
Akandibata chirebvu kuti ndimutatise
huso. Aka rounder achinditarisa
kubva kumusoro kusvika kutsoka

"Hhhm nice"

Ndakanzwa mabvi achiita kubvunda,


akatora foni achifona
"The parcel is ready I'm sure ne
passport yava ready"

Ndakavhunduka ndichivhura maziso.


Ndakarova munamato
nechomumoyo

*Mhamha makarara hope dzakadiiko


ndichitambura kudai. Ndokumbira
mundidzivirire*
Misodzi yakayerera pandiri. Chiiko
chiri kuitika pandiri? Ndiani aita zvose
izvi?.

"Muendesei mukamuri"
Vakanditora vachinondisiya mune
rimwe room

*Nicole*

Ohh God chii chichaitika kana


Anenyasha akazivikanwa kwaari.
Meaning neniwo ndinotarisana nejeri
ka. But Tafadzwa andiitira kuti zvinhu
zviite nyore, mapurisa Ari kufungira
iye. Ndakabva ndatora foni yangu
ndichifona

"Sho"

"Zvinhu zviri ikoko?" Ndakabvunza


"Hapana chakashata mangwana Ari
kuenda"

"That's good mapurisa kuno Ari


kufungira kuti I ex boyfriend yake
yaita izvi"

"Ohh so we are safe"


"I think kutaura kudai Tafadzwa Ari
muchitokisi"

"Mari yangu hanti wati uchandipa


kana wawana zvaunoda"

"Ohh yah Mari yako uchaiwana


mangwana"
"That's good" ndakadaro ndichikata
foni

Yoo ndanga ndaneta nemusikana uyu


nekuvhairirwa nehumhandara, padiki
padiki humhandara hwangu hee
humhandara. Haa haa nesuwo
takamboita mhandara chii
chinoshamisa ipapo? Rega ndidye
Mari ndakanyarara ini. Uye hapana
achatndifungira kuti ndiri behind
nekunyangarika Kwa Ane

*Tafadzwa*

Mapurisa akandivharira mu ceil


"Muri kuita mistake handisirini
ndatora Anenyasha ndivhurirei
ndinomutsvaga"

"Tichakuvhurira kana wakuda


kutiudza chokwadi kuti Ane Ari kupi"

"Handizivi kwaari ini asi chandoziva


ari munjodzi"
"Apinzwa newe hanti"

Please sayijeni zvisinei hazvo


ndokumbira muende kunomutsvaga
ini muchandisiya muno henyu"

Mupurisa akaridza tsamwa


achitendeuka achienda. Ndaiva
ndakumbeya panzvimbo imwe chete
ndichipurudzira musoro wangu. Kuti
ndiani atora Ane? Kuti Ane ane
vavengi here? I don't think so.
Ndaifunga zvinhu zvakawanda asi
hazvina zvazvichandibstsira nekuti
ndiri muno

Hapana zvandokwanisa kuita ndiri


muno. Dai ndiri panze ndatouya ne
plan. Chero foni zvayo handina dai
ndatoita something but zvinhu zvose
zvakamira ntsii. I wonder Roe iye ari
kuitei kwaari? Ko kunoedza rinhi
vandibudise muno ndione kuti
ndichaita sei.
"Anenyasha Ane ane"

Ndakatarisa vanhu vose ndichiti


pamwe ndingaona ane foni asi
zvakaenda nepamwe. Ndakatarisa
kune rimwe side ndikaona pane buri
ndakaswederapo asi yaiva diki yaiva
isingabvumi kuti ndibude nditize
ndinotsvaga Ane.
Hapana neniwo zvandinokwanisa
kuita ndakavharirwa muno. Plan
ndoyandisina. Ndasvika pachikamu
chekupererwa manje.

Kuti ndiani aita izvi? Ndi Themba here


nekuti Ane akamutamba. Zvagara
ndiye hapana umwe. Zvinhu zvose
zvakamira ntsii Ane handikwanisi
kumubatsira

Ndakagara pa bench ndichifunga. No


maan kugara pano hakuna
zvakunondibatsira nazvo. Ndikare
ndiri pano ko hakuedzi neiko.
Ndakagara some hours ndikaona
mapurisa akufamba famba I'm sure
kwaedza. Ndakadana umwe wacho
"Uri kudei?"

"Ndokumbira undipewo foni yangu


pane munhu wandoda kufonera"

"Nazvino uchiri kuita zvema drugs?


Wadzokazve nenyaya yema drugs.
Shamwari dzako dziri kupi?"
"Fuck maan!!! Ndati ndipe foni
yako!!!!"

Mupurisa akaseka achindisiya


achienda. Zvichakadaro sayijeni
akauya achifamba neumwe mupurisa

"Takuunzira chikafu idya"


"Handidi chikafu chenyu ini."

"Nazvino hausati wakuda kutiudza


chokwadi

" Munofanirwa kuti dai muchienda


kunotsvaga Anenyasha musiyane
neni"

"Tinomutsvaga kupi tichikusiya pano


hanti ndiwe wamutora here?"

Ndakuudzai kuti handina kumutora


Anenyasha hanti mamutsvaga
muimba yose mukamushaya
chamuchiri kuda kwandiri chii!!!"
"Nesuwo tinokwanisa kuita nhati
sewe" sayijeni akadaro vachienda

Ndakakava chikafu chavaiva


vandivigira chichinodonhera
kwakadaro. Ndaiunzwa musoro
wangu waiita kudhuma chaiko
hamheno pamwe pamwe pfungwa
dzaiva dzakuda kunditiza. Ndakaona
Roe achipinda ne lawyer moyo wangu
wakayevenuka

"I'm lawyer Williams lawyer ra


Tafadzwa Zvayi anofungizirwa kuti
atora musikana wake"

"Akidnepa ex girlfriend yake" sayijeni


akadaro
"Izvozvo. Ndauya pano
kuzomukumbirira bail"

"Hatingapi Tafadzwa bail"

"Why nekuti hapana zvaaita"


"A kidnapper ex girlfriend yake"

"You don't have evidence yekuti


Tafadzwa ndiye aita izvi"

"Tinayo evidence yakawandisa


inoratidza kuti Tafadzwa ndiye a
kidnapper musikana uyu Saka hazviiti
kuti tibudise Tafadzwa muno aende
kunouraya musikana or anomuita
zvaanoda kuita naye"

Vakaedza kukumbira bail asi


mapurisa akaramba. Lawyer racho iri
rinenge riri useless hapana
zvinozivikanwa. Shuwa angatadza
nyaya diki yakadai
"Mr Zvayi ndakunozama imwe nzira
yekuti ubude muno"

"You're useless Williams iwe!!! Chiiko


chandinokubhadharira . Ndakakutora
nekuti ndaikuvimba asi unotadza
kundibudisa muno"

"Dude slow down unouziva mutemo


wemapurisa kuti uri sei" Roe akadaro
"Mutemo wematuzvi!! Kutaura kudai
handizivi kuti Ane arara adyei kwaari
uye vamuitei"

"Eish dude neniwo ndichaedza


pandichabuda muno kuteverera
nyaya yacho" Roe akadaro
"Please dude ini ndakavharirwa muno
hapana zvandokwanisa kuita muno"

"Mr zvayi ndichaita nzira yekuti ubude


muno"

"You're useless!!! Ndichazvibudisa


ndega hauna zvaunogona iwe!!! Imwi
mapurisa pakangoitika something
Pana Ane munomama chete!!!"
Ndakadaro ndichikava nsimbi asi
imbwa idzi zveshuwa hadzifi
dzakandibudisa muno

*Narrated*

Roland paakabuda ku police station


akaenda ku shamwari dzake
akavawana vachimwa doro
"Machinda" Roe akadaro

"Sho Robza" Prince akadaro

"Guys ndokumbirawo rubatsiro


rwenyu"

"Tiri tose Robza usakumbira" Leeroy


akadaro

"Tafadzwa asungwa"

"What? What a good news?" Prince


akadaro

"Prince ndizvo zvaungafarira here?"


Leeroy

"Tafadzwa aifunga kuti I boss yedu.


Aitiroverei musi uya?" Prince akadaro

"Robza usamuteerera uyu asungirwei


Taffzo?"
"Anenyasha akidnepwa Saka vari
kufungira kuti ndi Tafadzwa azviita"

Leeroy akatarisa Prince nerimwe ziso

"Saka chii chatofanirwa kuita?" Lee


akabvunza
"Tofanirwa kunotsvaga Anenyasha ku
police vatitambira bail"

Saka tichatangira papi?" Leeroy


akabvunza
"Tofanirwa kutanga nekuenda
kunogara Anenyasha " Roland
akadaro

"Saka takagarirei pano?" Leeroy


akabvunza vachisimuka
vachinopinda mumota vachienda.
Vakasvika kunogara Anenyasha.
Roland ndiye akapinda Prince na
Leeroy vakasara mumota. Leeroy
akatarisa Prince nerimwe ziso
"Chii?" Prince akabvunza

"Ndiwe waita izvi right?"

"Hayi hayi Leebzo wakundipengera


manje "

"Wakanganwa Prince kuti wakati


kudii kwandiri?"

"Asi handina kuzozviita ka?"

"Usarwa Hondo yako na Tafadzwa


Pana Anenyasha "
"Ndati handina kuzviita?"

"Prince Tafadzwa ari dangerous


usakanganwa "

"Nxaa"
*Anenyasha*

Handina kurara husiku


ndichingofunga, ndichichema,
ndichinamata. Ndoda kuziva kuti
ndiani aita izvi? Nekuti munhu aita
izvi munhu wekuziva.

Ndakasimuka ndichienda pa window


pamwe ndingawana nzvimbo
yekubuda nditize, asi ndakashaya.
Ndakamira pa window
ndichidongorera. Ndakaona umwe
murume aitaura pa foni. Ndakavhura
nzeve dzangu ndichida kunzwa zvaari
kutaura

"Yah thanks parcel taiwana aewa


watiitira kuti zvinhu zviite nyore
kwztiri"
Ndakaramba ndakahwanda ndaida
kunzwa zvose zvaaitaura. Chinhu
chandoda kuziva munhu aita izvi.

"Haa thanks pawangobva paari chete


isu tabva tadosvika"

Ndakavhura maziso. Ndi Tafadzwa?.


Ndakadikitira muviri wese.
"Yes tamuwana asati apinda"

-------

"Yes broe Tafadzwa ndofunga kuti


mari yako waiwana"
-------

"Sure sure usaneta ramba


uchititsvagira dzimwe mhandara "

Ohh no Tafadzwa anditsngesa. Ndiko


kujingirisa kwaaitaura kwekutengesa
mhandara? Ndakamhanya
ndichinogara pasi ndichizembera
madziro ndichitanga kuchema. Kuti
Tafadzwa azviita here? No Tafadzwa
haangadaro anondida. Misodzi
yakayerera pandiri

*********
Themba:

"unokuvimba here Tafadzwa?"

**********
*Nicole*
"Tafadzwa haakudi uyo anongoda
kukudya okusiya wakadaro"

*************

*Me*

"Zvausingaendi kubasa Mari


yekuzviraramisa uri kuiwana kupi?"

"Ndinojingirisa semurume "


"Kujingirisa kwacho kune zita
Tafadzwa "

"Handingakuudzi izvozvo Anenyasha"

********
"Yes tamuwana asati apinda. Broe
Taffy ndovimba kuti mari yako
waiwana"

Zvinhu zvose izvi zvaitamba


mupfungwa dzangu

*Why Tafadzwa? Why?* Ndakadaro


ndichichema
End of chapter

https://chat.whatsapp.com/Lt6MlwL
G8mrFnvYmBZ1RtL

*From chapter 1 pindai umu EǥE


ǥ*
*Anenyasha*

*Written by. Makalulue*

*Chapter 22*
.
*Roland*

Ndakapinda mukati, nguva yekuti


nditsvage munhu achanondidanira
roomza wa Ane yaiva isipo.
Ndakapinda mumba ndikamuwana
achiona TV. Paakandiona
akavhunduka achisimuka.
"Ndiwe ani iwe? Uye uri kudei pano
nekuti vakomana havabvumirwi"

"Relax my sister handina kuuya


nehondo Zita rangu ndinonzi Roland
shamwari ya Tafadzwa"

"Ohh I see"
"Sister I need your help I think ndiwe
wega ungabatsira Tafadzwa ari kujeri
Saka ndinofunga kuti ndiwe wega
ungakwanisa kuita kuti mapurisa
anzwisise kuti Tafadzwa haana
kuzviita"

"Ndaedza kuvaudza ini asi vati


Anenyasha apedzisira kumira na
Tafadzwa"
"Asi kubuda Kwa Tafadzwa mujeri
ndiko kuchaita kuti tiwane Ane"

"Ndaedza asi ndatadza I wonder


shamwari yangu iri sei pairi" Nicole
akadaro achichema

Argg maan musikana uyu hapana


zvaanondibatsira nazvo ndakaridza
tsamwa ndichibuda ndichienda
kumota

"Pane zvawawana here


zvingatibatsira?" Leeroy akabvunza

"Hapana wena manje ndapererwa ini"


ndakadaro
"Saka tichaita sei?" Lee akabvunza

"Kut-- ndiani aita izvi maan? Maybe I


ex yake"

"Yes you're right ko hanti Tafadzwa


akamutora kwaari ndiye chete"
Prince akadaro
"Hapana chekumirira handei kumba
kwake?" Ndakadaro ndichimutsa
mota tichienda kumba Kwa Themba.

After some minutes takasvika


tichipinda mumba tisina kugogodza.
Takamuwana akagara achiona TV
paakationa akavhunduka achisimuka.
"Ndingakubatsirai nei?"

"Nekutidzosera Anenyasha?"

"I'm lost"
"Hatina nguva yako mhani iwe hunza
Anenyasha"

"Ko nei musingaendi kunomutsvaga


kumba kwe shamwari yenyu hanti
anodanana naye?" Themba akadaro
Ari confused

"Iwe uchataura kwawamuisa" Prince


akadaro

"Handina moyo wakashata ini asi iwe


uri kundituma kuita zvisirizvo.
Ndichakubvunza kekupedzisira. Ari
kupi Anenyasha?" Ndakadaro

"Handizivi zvamunotaura ini, chero


Anenyasha wenyu ndakaguma kare
kutaura naye. Ndakaparadzana naye
ini. Nei mauya kuzomubvubza
kwandiri?"

"Nekuti akakuramba ka Saka


wazofunga kumu kidnapper?"
Ndakadaro

"Anenyasha akidnepwa?" Themba


akabvunza achinyebera kuvhunduka
"Haana ku kidnepiwa asi wamu
kidnepa. Iwe ndiri kukuona haudi
kusekererwa"

"Ndiri kukuudzai chokwadi handina


kumutora. Anenyasha ndakamuguma
patainyora kekupedzisira"
"Ohh unofunga kuti tiri kutamba newe
iwe.uchamubudisa chete Anenyasha
" ndakadaro tichimutora tichimuisa
mumota.

Achataura chete kwaaisa Anenyasha.


Hapana umwe munhu angaita izvi
pana Anenyasha kunze kwake.
Takaenda naye ku warehouse
tikamupinza mukati tikamusungirira
pachituro.
"Handina kumutora in Anenyasha
pamwe mukomana wake ane vavengi
everywhere sezvo achitengesa m--"
haana kupedza kutaura ndakamupa
gwati rembama

"Tiudze Kuna Anenyasha nekuti kana


usingadi ucharuza hupenyu hwako"
ndakadaro
"Ndakuudzai kuti handizivi chinhu ini"
Themba akadaro

"Uchataura iwe" ndakadaro ndichitora


chamboko Prince akamurura hembe
ndichitanga kumuzvambaradza
kumusana
"Ari kupi Anenyasha?"

Haana kundipindura. Ndakamurova


kwenguva yakareba asi haana
kumbotaura kuti Anenyasha Ari kupi.
Ndakaona kuti no maan haana
zvaanoziva uyu. Takamusiya mukati
tichinotsvaga kwataifungira asi
takamushaya.
Zviri pachena kuti munhu aita izvi
anoziva zvaari kuita . Asi nei Themba
asingatauri nekuti ndiye chete munhu
angatora Anenyasha? . Ndakatora
foni ndichifonera Mr Williams asi foni
yaiva isingapindi. Zveshuwa
mapurisa atoramba kubheyila
Tafadzwa

*Anenyasha*
Nguva yose iyi ndaifunga kuti pamwe
Tafadzwa anondida asi now ndave
kuona, Tafadzwa haana kumbobvira
akandida. Aizviswededza pandiri kuti
agonditengesa now ndakuziva
kujingirisa kwaaitaura anotengesa
vasikana owana Mari

Hapana chinhu chinorwadza


sekurwadziswa nemunhu waunoda.
Ini ndaifunga kuti na Tafadzwa tiri
kuenda kure asi ndaizvinyebera.
Ndaifunga kuti anondida zveshuwa
izvo anoda ma benefits neni.
Pavanhu vose Tafadzwa ndiye
aindidai here

Adii hake kutora humhandara


hwangu nekuti ndinomuziva, pane
kuti hutorwe nemunhu wandisingazivi.
Pamsoro pekuzvichengeta kwangu
kwese uku, humhandara hwangu
hongoenda huchitorwa nemunhu
wandisingazivi.
Ndakatanga kuchema ndichirangarira
mashoko ake aiva sweet aiita kuti
ndimude zvakanyanya. Dai hangu
ndakateerera Themba na Nicole
pavakati Tafadzwa haandidi
anongoda kunditambisa chete.

Kutambiswa kwaitova nani akatoita


zvihombe zvacho. Sezvo ndavanzwa
vachitaura nezve passport meaning
ndiri kuenda out of country. Ko
ndaibvumireiko kudanana na
Tafadzwa? Ko nei mhamha vasina
kundionesa nzira? Nei
vakangondisiya ndichibvuma
kutambiswa nemukomana.
Zvichakadaro pakapinda umwe
murume nechikafu

"Ndakuvigira chikafu chako


mwanasikana"
"Ndokumbira undibatsire nditize
pano"

"Zvadii zve?"

Ndinoziva kuti unavo vabereki


newevo. Baba vangu vakanzwa nyaya
iyi vanofa straight. Handifungi kuti
iwe ungada kuti zviitike kuvabereki
vako vanzwa kuti warasika please
mukoma. Ndinoziva kuti zvauri kuita
unoda mari kwete kuti unozviita
nekuti zvinokufadza asi
ndinokuvimbisa ukangondibudisa
muno ndichakupa chero chii
chaunoda. Baba Havana Mari
yakawanda but for me vanoitsvaga
chete. Please mukoma please I'm
sure kuti unayo hanzvadzi
haungafari kana pakaitika zvinhu
zvakadai kwaari or ku mwanasikana
wako. Ndokumbira utore situation
Yako uiise kuhama Yako yepedo"
Haana kundipindura akabuda
achienda. Ndakatora chikafu
ndichichiroverera pasi.
Ndaingodongorera nepa window
hapana kana umwe angandibatsira
apa. Ndakanyahwaira ndichakuenda
pane rimwe room ndichida foni at
least ndakadongorera ndikaona boss
wacho achitaura pafoni

"What? Zvaitika sei zvinhu


zvakadaro?" Aitaura nehasha.
Ndakaswedera paari ndichida
kunzwa nyaya yose

--------------

"Wairasa sei passport nekuti wanga


uchifanirwa kuichengetedza?"

--------

"Unoziva here kuti musikana uyu


akagarisa pano achatipinza muma
problems?"
----------------

"Boss wako anoziva here kuti warasa


passport?"

Ndakafemera mumoyo ndichitarisa


pasi. Ko ndiani achandibatsira
kundibudisa muno? Boss akanyarara
kwenguva achibva akata foni
achifona zve

"Wanga uchifanirwa kutuma munhu


akangwara pazvinhu zvakadai kwete
ari careless"

"Vari kundiudza manje kuti varasa


passport vapfana ava asi usawara
mangwana chaiwo ndinenge
ndatogadzira imwe"
"Unofanirwa kuita nekukurumidza
nekuti munhu angazotipinza
munjodzi" boss akadaro achikata foni
achisimuka

Ndakamhanya ndichinopinda mune


rimwe room. Pandakangopinda
dhuma dhuma nefoni. Ndakafara
zvakanyanya ndichibata foni iyi.
Nhamo yakazouya pakuti number
yemapurisa handiizivi ndivo vanga
vachandibatsira nekukurumidza. Ohh
dzimwe nguva kusatora zvimwe
zvinhu serious inhamo shuwa hona
manje. Ndaka dialer number dza
Tafadzwa fast asi misodzi yakatanga
kuyerera nei ndichida kufonera
munhu anova honzeri yezvose izvi.

Ndakadzima number dzake


ndichifonera Ngoni asi yaiva
isingapindi. Ndanga ndatokanganwa
kuti haamo mu Zimbabwe vakaenda
mhiri na Mitchy. Ohh gara zviya Kuna
Nicole. Ndaka dialer number dzake
ndichinyemwerera. Mufaro wakazara
kumeso kwangu

"Hello"

"Nicole" ndakadaro ndichitaurira pasi


"Anenyasha!!!" Akadaro achiratidza
kuvhunduka

"Nicole ndiri munjodzi pano please


ndokumbira ufonere mapurisa
nekukurumidza uvaudze nyaya yose
ndichakusendera address please
chomie" ndakadaro ndichichema
"Ndokumbira uvaudze kuti ndi
Tafadzwa aita zvose izvi. Please
Nicky manje ndokumbira uudze
mapurisa ndisati ndabva
pano"ndakadaro ndichichema

"Okay okay ndichaita sekudaro


chirega kuchema
"Please be careful Tafadzwa asaziva
nezvenyaya iyi" ndakadaro ndichikata
foni ndichimusendera location
ndichibva ndabuda number dzake ne
message ndichibva ndadzokera mu
room mandasiiwa. Ndaingova
munamato kuti dai Nicole
akurumidza kusvika nemapurisa

*Tafadzwa*
Chii chandichaita manje.
Handingakwanisi kugara pano
ndisingazivi kuti chii chiri kuitika pana
Ane. Ndakabva ndadana umwe
mupurisa

"Sayijeni"

Akaswedera pandiri achitambisa


pfuti

"Yes"

"Ndava ready manje kunokuratidzai


Kuna Anenyasha"

Mupurisa akaseka akanditarisa


"Shuwa here?"

"Yah I'm ready"

Sayijeni akadana umwe mupurisa


vachindivhurira asi chinhu
chakandibhowa vakandiisa njema asi
chinhu chandinoziva kuti kana
ndichifanirwa kufa nhasi ndichafa
nekuti ndiri kutiza pano dark or blue

"Ndaziva kuti ndiwe wakamutora"

"Ndokumbira tiende kunzvimbo


yandakaisa Anenyasha"
Vakanditora tichinopinda mu
defender . Kumashure kwakapinda
mapurisa maviri kumberi kwaiva
nemupurisa umwe na sayijeni . Mota
yakamutawa tichienda

"Wanga uchifunga kuti uchasvikepi


wakanyarara?" Mupurisa akabvunza
"Ndanga ndichiti ndichanyarara
kusvika zvishuviro zvangu
zvazadzikiswa"

akaseka achirova maoko. Ini ndaiva


busy kubisa ka key e njema paari.
Umwe mupurisa aiva busy nefoni
yake achinyemwerera.
Pandakangowana ma key
ndakazvisunungura ndichibva
ndatora paper spray yaiva paari.
"Saka tiudze nhai Tafadzwa nei Waka
kidnepa mwana wevanhu"

"Ndokuona iwe hausati wambopinda


murudo. Ndomuda zvakanyanya
mwana uya ndiko Saka ndakamu
kidnepa nekuti ndaida kuti
tidzokerane" ndakadaro ndatobata
paper spray anytime is tea time.
"Eish vamupurisa ndokumbira
kunorasa sadza ramandipa neku sim
two"

"Wakuda kunomama manje"

"Ndataura pachikuru hanti"


"Hayi unonetsa iwe" mupurisa
akadaro

"Ndichatanga nekusura muone


zveshuwa ndiri serious. " Ndakadaro
ndichimanikidza lucky zvakaita. Mota
yakavharisa nemunhuhwi
"Argg maan iwe usamamira mumota"
mupurisa akadaro achidanidzira vari
kumberi kuti vavhure"

"Chii?" Sayijeni akabvunza

"Mupfana ava kumamira mumota"


mupurisa akadaro vabata mhino.
Handina kupedza nguva ndaka
sprayer kumeso ndichibva ndabuda
nekukurumidza. Vari kumberi hapana
zvavaiona. Pandakabuda
ndakamhanya ndichienda mberi
window raiva rakavhurwa ndakava
sprayer zvekuti vasakwanisa chero
kudij. Vachiri kuchema chema
ndakamhanya apa ndaiva
ndisingazivi kwandiri kuenda
*Narrated*

Nicole mushure mekunge afonerwa


na Anenyasha paakangokata foni
akabva afona

"Uri kudei hanti Mari yako waiwana


yose?"
"Dai uri umwe watonyarara wateerera
zvandoda kutaura"

"Taura tinzwe?"

"Ko nei musingatarisi Anenyasha


nekuti achangobva kundifonera
achindiudza kuti ndiende kumapurisa
atondisendera ne location"
Murume uyu akavhunduka

"What?"

"Iwe tenda kuti afonera ini chete?"


"Nei uchiti afonera iwe chete?"

"Anofungira kuti Tafadzwa ndiye Ari


behind nyaya yose" ndinoziva kuti
anga achafonera iye kumba kwavo
handifungi kuti avafonera"

"Okay thanks tava kuzomutarisa"

"Ko haasati aenda? Anoenda rinhiko?"


"Anoenda usatya"

"Haay ngaaende angazotipinza


munjodzi" Nicole akadaro achikata
foni
Chinhu chaafarira ndechekuti
Anenyasha anofungira Tafadzwa kuti
ndiye aita izvi uye afonera iye.
Akanyemwerera akatarisa Mari yake

*****************

Kunzvimbo yaiva yakaiswa


Anenyasha murume uyu mushure
mekunge ataura na Nicole akaenda
mu room maiva na Anenyasha

"Waka relaxer?"

Anenyasha akangonditarisa haana


kumupindura
"Ndiri kutaura newe"

"Unodei kwandiri?"

"Nei usina kudya chikafu chako?"

Anenyasha haana kumupindura


"Gara zviya mukomana wako anonzi
ani?

Misodzi yakapisa Pana Anenyasha


murume uyu akaseka

"Iwe waifunga kuti anokuda izvo aida


kuzadzikisa zvishuviro zvake.
Mashoko aya akamurwadza
Anenyasha asi hapana zvaaikwanisa
kuita

"Ndokumbira usataura nezvake mberi


kwangu?"

"Asi uchiri kumuda?"


"Ndati usataura nezvake"

Murume uyu akaseka achibuda


achienda ku office Kwa boss

"Boss how far passport?"


"Passport yatovapo mangwana Ari
kuenda"

"Hayy shuwa ngaaende


angazotipinza munjodzi musikana
uyu anoonekwa kuti akangwarisa"

"Don't worry mangwana chaiye Ari


kuenda"
Thanks boss" murume uyu akadaro
achibuda. Akatya kuudza boss kuti
Anenyasha afonera Nicole nekuti
aiziva kuti haangarasikirwi nebasa
chete asi nehupenyu hwake

*Tafadzwa*
Ndiri kumhanya musango
handingamhanyi mu road nekuti
handizivi zvasara zvichiitika
Kumashure pamwe mapurisa asara
akamuka vakafonera amwe mapurisa
kutaura kudai vari kunditsvaga.
Handingagari ndichinyatsoziva kuti
Ane ari munjodzi.
Chandinongonamatira kuti vasamuita
chinhu Anenyasha.

Ndaimhanya musango asi ndaiva


pedo nemugwagwa wemota.
Ndichimhanya kudaro ndakaona
mota paiva nemusikana aiva akamira
akazembera mota. Ndakamhanya
ndichienda kwaari ndakasvika
ndichipinda mukati ndichimudana

"Pinda tiende ndini ndiri kuchaira"

"Mukoma uri kuitei mumota yangu?"


"Trust me uchafamba netsoka ukada
kutamba neni"

Akapinda mumota achinditarisa.


Ndakamutsa mota ndichiimhanyisa

"Chii chiri kuitika?"


Handina kumupindura

"Handingakubatsiri nemota yangu


kana usingandiudzi kuti Chii chiri
kuitika"
"Heey heey dzidza kuvhara muromo
wako iwe dai uchidotenda kuti
handina kukusiya ndaenda newe kuti
ugodzoka nemota yako"

"Haunganditukiri mota yangu ka"

"Ndichakutengera petrol yako"


"Handiidi ini petrol yako"

"What a good news thanks wanzwa?"

Akanyarara achidzungudza musoro.


Ndakavhetemesa mota ndakananga
kumba kwangu, ndakasvika
ndikamisa mota pagedhi.
"Thanks chienda hako"

"Ndiyo nzira yaunonditenda nayo"

"Yes kana pane zvauri kuda wakuziva


kwandogara uuye rimwe zuva not
today" ndakadaro ndichipinda
mumba ndichimhanya. Foni yangu
yaiva pasofa ndakafonera Roe

"Dude wabuda?"

"Ndatiza asi tofanirwa kuwana Ane


ndisati ndabatwa. Uri kupi manje?"
"Ndiri kumba ndina Lee na Prince"

"Okay ndiri kusvikako manje


mapurisa asati andibata" ndakadaro
ndichitora ma key emota
ndichimhanya ndichinopinda mumota.

Ndakaivhetemesa mota ndakananga


kumba Kwa Roe. Apa Anenyasha
wacho handizivi ndotangira papi
kumutsvaga. Ndakasvika kumba Kwa
roe.vakagara pavakandiona
vakasimuka

"Dude wabuda sei?" Roe akabvunza

"Hazvina kukosha izvo asi


chandoziva mapurisa Ari kunditsvaga
saka vanofanirwa kundiwana
ndatomuwana Ane. Imwi hapana
zvamawana here?"

"Hapana wena ne ex yake taiedza


kuibvunza asi hapana zvine musoro
zvayataura"

"Ari kupi manje?"


"Tamusiya ku warehouse"

"What if achitaura chokwadi kuti


haazivi chinhu?" Lee akabvunza

"Anobyeba uya anoziva Kuna


Anenyasha"Prince akadaro
"Hapana munhu anganyarara
nekurohwa kwaaitwa kuya" Lee
akadaro

"Ndiani angaita izvi asi?"


Ndakabvunza

"Ini ndapererwa handichazivi kuti


timutsvage kupi Anenyasha "

"Asi tofanirwa kumuwana nhasi


chaiye munhu aita izvi achandiziva
mushe. Ndichaita sure kuti pose
paanofamba akaona munhu wekwa
Zvayi anotiza if ndichinge ndamusiya
ari mupenyu"

"Boss" Lee achitarisa Prince akadaro


ndakamutarisa

"Pane munhu wandiri kufungira ini"


Lee akadaro

"Ndiani" ndakabvunza
"Prince"

"What?" Takatarisana na Roe


tichishamisika

"Lee handizivi chinhu ini"

"Yes akandiudza kuti achaita revenge


nekutirova kwawakatiita"

Ndakatarisa Prince nemaziso aiva


akazara hssha

"What?"
"Akati zvinhu zvaunoda pana
Anenyasha haufi wakazviwana"

"Asi handina kuzozviita ka Lee"

Ndakanzwa hasha ndichimujambira


ndichimupa zvibhakera zviviri
achidonhera pasi ndichimusimudza
"Ari kupi Anenyasha?!!!"

"Tafadzwa handizivi chinhu ini"

"Ndati Ari kupi Anenyasha?"


Ndakadaro ndichikava achidonhera
pasi
"Take it easy dude" Roe akadaro
achiswedera pandiri

"Prince waitirei zvose izvi?" Roe


akabvunza
"Handina kuzviita ini" Prince akadaro

"Prince nguva yose iyi uri kutiita


mapenzi tichitsvagana na Anenyasha
iwe uchiziva hako kuti ndiwe
wakamutora" Roe akadaro

"Yes ndakazvitaura Kuna Lee asi


handina kuzozviita please guys trust
me"
"Ndinokuvimba seumwe wangu
wandinoshanda naye Prince asi iwe
ndizvo zvawava kundiita!!!"
Ndakadaro nehasha ndichimurova
nechibhakera achidonhera pasi
ndichiburitsa pfuti ndichidhonza
trigger ndichimutendeka

"Kana usingadi kufa ndiudze kuti


Anenyasha Ari kupi?"

"Handizivi "

Ndakamukava kumeso achibuda


ropa mumuromo nemumhino.
"Mabara ari umu achaperera pauri
Prince Ari kupi Anenyasha?"

"Please Taffzo usamuuraya. Prince


newevo taura mhani ari kupi
Anenyasha?" Roe akadaro

Pandaida kumupfura Roe


akandibvutira pfuti
"Unopenga here Tafadzwa!!! Taura
maan Prince!!"

"Ndati handizivi chinhu" Prince


akadaro ndakamurova nezvibhakera
End of chapter

https://chat.whatsapp.com/Lt6MlwL
G8mrFnvYmBZ1RtL

*From chapter 1 pindai umu ȯǤȯ


ǤȯǤ*
*ANENYASHA*

*Written by: Makalulue*

*Edited by: Ellena*


*Chapter 23*

*Anenyasha*

Ndakamirira kusvika ndaneta, nezuro


ndakamirira Nicole nemapurisa asi
havana kusvika kuti, chii chaitika kuti
vasasvika pamwe pane munhu
amubata here, zvino ndichabuda sei
pano? Zviri pachena kuti pane
zvaitika chete pana Nicole. husiku
hwose ndanga ndichingonamatira
kuti pasaita chinhu chinomuwira
nekuda kwangu.

Manje nguva dzave kuma2 apo


ndichangobva kunogeza sezvo
ndapihwa mbatya. Hanzi munhu ari
kuuya kuzonditora ari munzira
handisisina plan ndapererwa vave
kuzonditora manje hapana
zvandichaita. ndakagara pasi
ndichifunga zvinhu zvakawanda.
misodzi yangu yaiyerera ndichifunga
nezvaTafadzwa zvose zvataitaura
nemashoko ake ari sweet
paaindiudza kuti anondida.

Kuti zvinhu zvose izvi zvaaindiudza


Tafadzwa ainyepa here? Asi moyo
wangu uri kuramba kuti Tafadzwa
ndiye azviita izvi. asi ka ndavanzwa
vachitaura naTafadzwa pafoni asi
moyo wangu uri kuramba. Dai
ndanzwa neumwe munhu ndanga
ndichati vanomunyebera Tafadzwa
asi ndamunzwa mukomana uya
achitaura naTafadzwa. Pandakati
ndisimuke ndakaona foni pasi Oooh
pamwe yasiiwa nemurume uya.
Ndakabva ndatora foni
nekukurumidza number dzakatanga
kusvika mupfungwa dzangu
ndedzaTafadzwa ndakabva
ndatomufonera pasina kana 1
second akaidaira ndakambonyarara
ndakanzwa hana ichirova. Ohh no
zvinoita here ndiudze Tafadzwa
anova ndiye andipinza muno

"Tafadzwa!!!" ndakadaro ndichichema


"Anenyasha!! Ane!!!Ane!!! uri kupi"

"Handizivi Tafadzwa asi vave


kundiendesa mhiri kwenyika vanga
vachitaura nezvema passport. Please
Tafadzwa huya unditore please
please" ndakadaro ndichichema
"Okay ok Ane chirega kuchema
please ndiri kuuya ipapo manje"

"Ndokusendera location please


ndokumbira uuye kuzonditora I'm
scared. Hanzi munhu ari kuuya
kuzonditora ari munzira please
Tafadzwa" ndakadaro ndichichema
Ndaichema ndichizvibvunza
mibvunzo yakawanda ko nei
ndafonera Tafadzwa mhandu yangu

"Send location please


nekukurumidza" Tafadzwa akadaro
Ndakakata foni ndichibva ndasenda
location. I'm confused handizivi kuti
ndaitei pamwe ndatovangwadza
vanhu ava pamwe Tafadzwa
achavafonera. Musoro wangu uri
kuita kudhuma chaiko ndaiva
ndatogamuchira zvose zvichaitika
pandiri.
*Narrating*

Tafadzwa paakapedza kutaura naAne


pafoni akatora makey nekukurumidza

"Chii? ndiani anga achifona?" Roe


akabvunza

"Ane!! Anenyasha ari munjodzi


tofanirwa kuenda manje" Tafadzwa
akadaro vachibuda vachimhanya
vachinopinda mumota

Tafadzwa akamutsa mota neimwe


speed chero pama robots aiva
asingamiri aidarika achimhanya
chero robot rakavhara achitevera
location yaaiva asenderwa
naAnenyasha

"Dude chaira zvakanaka mhani"


Ronald akadaro
"Hatina nguva Ronald andiudza kuti
vari kumuendesa kune imwe nyika"

"Anombori kupiko?" Lee akabvunza

"Handiizivi nzvimbo yacho


andisendera location" Tafadzwa
akadaro

Mota yakafamba kwehour rose


ichienda kunzvimbo kwaiva
naAnenyasha vachibva vasvika

"We are here" Roe akadaro


Pavaiva vave kuda kubuda mumota
vakaona mota ichipinda Tafadzwa
akabuda mumota achiswedera
akahwanda achida kunonzwa kuti
vari kutaura nezvei sezvo munhu uyu
aiva abuda mumota achitaura
nemunhu aiva mukati
"Ooooh wafunga kuti usvike wega"
man 1 akadaro

"Yaaah handiti vakomana ava


vandiitira mashura saka ndafunga
kuzviuyira ndega"
"Yaah good apa wacha apa" ma1
akadaro

Tafadzwa akaitira vana Roe masign


kuti vatarise panze iye ave kupinda
mukati. Asi aiva asingazivi kuti
Anenyasha ari mukamuri ripi
akanyahwaira achinopinda mukati
newindow achinopinda mune imwe
kamuri akaburitsa pfuti yake achibva
atanga kutarisa maroom ose Ukuvo
Anenyasha aiva asingachachemi
angonyarara kuti zii aneta nekuchena.

Aiva ave shuwa kuti zveshuwa


Tafadzwa ndiye aita zvose izvi ko nei
asingasviki. Tafadzwa achiri
kunyahwaira kudaro akanzwa pfuti
ichirira akabva aziva kuti ndivana Roe
vaiva vaonekwa Ane akachema
zvakanyanya sezvo aiva anzwa pfuti
kurira izvi zvakabatsira Tafadzwa
nekuti akabva anzwa kuti Anenyasha
ari muroom ripi akabva amhanya
achienda ikoko.

Akamuwana akagara pasi Anenyasha


paakaona Tafadzwa akamhanya
achienda kuna Tafadzwa achichema

"Tafadzwa" Ane akadaro nemufaro


achimuhaga
"Ane are you okay?" Tafadzwa
akabvunza

Anenyasha akabvuma nemusoro aiva


asisachakwanisi chero kutaura
"Hapana zvavakuita here?" Tafadzwa
akabvunza achimuhaga zve
vachibuda

Pavaiva vave kubuda vakanzwa


munhu aiuya kwavari uku pfuti
dzairira zvaiva pachena kuti panze
paiva nehondo hombe. Tafadzwa
akadhonza Anenyasha
nekukurumidza achimuvhara
muromo sezvo aida kuridza mhere.
Vakawanda kumashure kwedoor
murume uya achibva apinda mukati.
Murume uya akavhunduka paakaona
kuti Ane haamo mukati.

Paakati amutarise kuseri kwedoor


Tafadzwa akabva amuisa mabara
maviri pahuma Anenyasha
akavhunduka achivhara maziso
"I'm sorry" Tafadzwa akadaro
achimhanya achimudhonza
vachienda pawindow raaiva apinda
naro Tafadzwa

"Be careful okay" Tafadzwa akadaro


Ane akabvuma nemusoro Tafadzwa
akamubudisa nepawindow naiyevo
achibva amutevera. Paakatarisa
panze pfuti dzairira shamwari dzake
neava vaiva vakidnapper Anenyasha
vairwa. Akaedza kutsvaga nzira
yekuti vadzokere kumota apo
Anenyasha aibvunda mabvi
asisakwanisi chero kufamba.
Tafadzwa akapererwa
akamusimudza kunge mwana mudiki
achitiza achienda naye kumota,
achimhanya kudaro akanzwa Roe
achidanidzira

"Tafadzwa!!!!!!!" Roe akadaro


Tafadzwa paakatendeuka bara
rakamhara pachidzva chake.
Anenyasha akaridza mhere

"Tafadzwa!!!!!!" Ane akadaro achiridza


mhere
Tafadzwa akasara padiki kudonha asi
akashingirira achimhanya achienda
kumota akasvika achiisa Ane
mumota apo pfuti dzaingorira uku
neuku.

"Tafadzwa are you okay?" Ane


akabvunza
Tafadzwa akapinda mumota

"Guys huyai!!!" Tafadzwa akadaro


achivadana

Zvichakadaro mapurisa akasvika


vakabva vamhanya ava vaiva
vakidnapper Anenyasha vachitiza.
Mapurisa akavatevera Roland
akamutsa mota achiimhanyisa
akananga kumba kwaTafadzwa apo
Anenyasha aiva aneta asisakwanisi
chinhu

"Mvura" Anenyasha akadaro nezwi


raipera
"Mvura Prince" Tafadzwa akadaro

Prince akatora mvura achimupa


Tafadzwa akamumwisa

"Don't worry wave safe manje


tinosvika manje kumba, Roe rova
mota tiende" Tafadzwa akadaro

Anenyasha haana kumupindura


akabva arasa maoko ndiye zii

"Anenyasha!!! Anenyasha!!!"
Tafadzwa akadaro achitora mvura
achimudira nayo asi Anenyasha
akaramba ari zii

"Anenyasha!! Ane please muka!!!"


Tafadzwa akadaro

"Dude I think avhunduka chete


hapana chaitika paari" Lee akadaro
*TAFADZWA*

Ndakamurarisa pamakumbo angu


ndikamubata pachipfuva
ndikamunzwa achiri kufema
"Fast fast Ronald" ndakadaro

Ronald akamhanyisa mota kusvika


tanosvika kumba ndakamusimudza
nekukurumidza ndichienda naye
muroom mangu. Ndakamurarisa
pamubhedha ndichivhura drawer
ndichiburitsa stethoscope
ndichiteerera moyo wake ndakaona
kuti aiva right anga avhunduka chete.
Ndakatora injection ndichiisa
mushonga ndakamubaya kuti
azorore uye asafunga zvinhu
zvakawanda pazvinhu zvaitika. Vana
Roe vaiva vakamira padoor
vakandimirira

"Ari right here?" Roe akabvunza


"Yaah avhunduka hapana zvakashata
hapo" ndakadaro tichienda kusitting
room

Handikwanisi kutarisa Prince


nezvinhu zvandamuita.
"Prince sorry dude nezvinhu zvaitika
pauri neniwo hapana zvandanga
ndichikwanisa kuita I was worried
naAnenyasha" ndakadaro

"I understand Dude neniwo I'm sorry


nekufungira Anenyasha zvinhu
zvakashata" Prince akadaro
"Ndokutruster sei mushure mezvinhu
zvawanga uchifungira Anenyasha?"

"Trust me dude dzaingova hasha


chete, ndakataura zvinhu
zvandakataura kuna Lee but I swear
ndakazosiyana nazvo hade bro"
"I think we are cool now" Roe akadaro

"Yaaa tagadzira zvinhu zvedu"


ndakadaro tichikwazisana
"Thank you so much guys nezvinhu
zvose zvamandiitira handaikwanisa
kuzviita ndega kunze kwenyu"
ndakadaro

"Tiri tose boss unozviziva wani


usatitenda" Lee akadaro
"Ndiani adana mapurisa?"
Ndakabvunza

"Ndini ndaona kuti vanhu ava


vakawanda hatinga vakwanisi" Prince
akadaro
Apo chidzva changu ndaichinzwa kuti
chiri kurwadza

"Washanda boy" ndakadaro

"Haaa Tafadzwa chidzva chako" Lee


akadaro
"Uri kubleeder" Roland akadaro
achinonditorera bandage muroom
mangu

At least bara rabuda, dai risina


kubuda ndanga ndicharwadziwa
zvakanyanya. Ndakazora vanga
rangu mushonga ndichibva ndaisa
bandage iko ndakuvara but not
zvakanyanya. Zvichakadaro mapurisa
akapinda ndakasimuka

"Muri kuona manje kuti hamuzivi


basa renyu" ndakadaro nehasha
"Izvo hazvirevi chinhu wakanganisa
mutemo" Sajeni akadaro

"Dai ndisina kukanganisa mutemo


chii changa chichaitika pana
Anenyasha? dai kutaura kuno atove
kuNigeria imi muri busy
makachengeta ini kupolice station
muchitadza kubata zvigeven'a siku
nesikati" ndakadaro
"Unoziva zvinhu zvawaita
zvekusprayer mapurisa kuti imhosva
yakaita sei" Mupurisa akadaro

"Ndanga ndisina choice nekuti manga


musingadi kuti ndibude"
"Ari kupi Anenyasha?" Sajeni
akabvunza

"Akarara"
"Tinoda kutaura naye" Sajeni akadaro

"Akarara ari kuzorora uye hapana


achamumutsa ndamuisa injection so
please musiyei azorore chii chamuri
kuda kwaari? Mave kuda
kumuwedzera stress"
"Chii chaitika pavanhu vaya
mavawana here?" Roe akabvunza

"Yaaa vari kupolice station now"


mupurisa akadaro

"Ndizvo zvinhu zvamanga


muchifanirwa kuita before kwete
kungova nanga nanga neni
kuchitokisi"

"Tiri kukupa warning nezvinhu


zvawaita iwe mr Zvayi" mupurisa
akadaro

"I'm sorry asi hapana zvandanga


ndichikwanisa kuita ndanga
ndichifanirwa kukuitirai basa renyu"

"Unodherera iwe" mupurisa akadaro

"Ndiri kutaura chokwadi asi"


"Warning" mupurisa akadaro
vachitendeuka vachienda
ndakadzungudza musoro

"Ko wavaitei?" Roland akabvunza


"Ndava sprayer nepaper spray"
ndakadaro

Vana Roe vakaseka


"Unopenga here iwe?" Lee akabvunza

"Hapana zvandanga ndichifanirwa


kuita ndaifanira kutiza"

"Taundura tikaundura mwana


wevanhu tichimurovera zvisipo" Roe
akadaro
"Manga muchimurovera kuti nei
akadanana naAnenyasha ndizvo
zvaaroverwa hapana munhu
anofanirwa kudanana naAnenyasha"

"Tave kufanirwa kuno musunungura


manje" Roe akadaro
"Endai henyu ini ndichasara
naAnenyasha"

Vakabuda vachienda ini ndakasara


ndichienda muroom mangu
ndichimutarisa aiva akakotsira. Shem
she is innocent, chii changa chichida
kuita paari, nevanhu ava vanga
vakamutora Zviri pachena kuti
vanoziva kuti achiri mhandara I think
pane munhu ari involved apa kuti
ndiani ndichamuwana chete handifi
ndakaresta ndisati ndamuwana

Ndaingomutarisa ndichinyemwerera,
ndapotsa padiki kurasikirwa
nemunhu akanaka kudai.
*ANENYASHA*

Ndakapepuka pamubhedha uri


comfortable ndakatarisa mudenga
room iri rinenge raTafadzwa kaa
ndakatarisa paside ndikamuona
akagara pedo neni ndakamutarisa
achibva anyemwerera. Yaah ndichiri
kurangarira zvinhu zvaitika asi
pandapinda mumota handizivi kuti
chii chazoitika pandaida kusimuka
akaswedera pandiri achindibata

"Take it slowly" Tafadzwa akadaro


achindibatsira kumuka
Ndakamuona kuti aikamhinha.
"Tafadzwa wakuvara?" Ndakabvunza

"Not that bad"

"No usati not that bad bara rapinda


muchidzva chako" ndakadaro
ndichiburuka pabed
"Ndokumbira urare" ndakadaro
ndichimubatsira kurara pamubhedha

Ndichibva ndamubvisa bandage rake


ndichitora mvura iri warm ndakaenda
kukitchen ndichinotora salt ndichiisa
mumvura nemucheka. Ndakatora
mucheka ndichiisa pachidzva chake
ndakamunzwa achigomera
zvemarwadzo

"Uri kuti not that bad asi uri kuchema"

"Pamwe uri kundiita rough" Tafadzwa


akadaro achinyemwerera
Ndakaona mushonga mudrawer
ndakabva ndautora ndichimuzora
ndichibva ndamuisa bandage.

I think zvinhu zvose izvi zvaitwa


nemunhu wekuziva ndinoshuvira
kuziva. Iko dai Tafadzwa asina kuuya
chii changa chichaitika pandiri iko nei
munhu uya anga achinyebera kutaura
naTafadzwa zviri pachena kuti anga
achindiuraya pfungwa kuti
ndigofunga kuti ndiTafadzwa aita
zvose izvi. But why? Kuti pane munhu
wandinoziva here ari involved
nenyaya iyi kuti Themba here nekuti
ndiye ega anoziva Tafadzwa
ndinofanirwa kuwana munhu aita izvi.

Unoziva ndiri kunzwa ndiri guilty kana


ndichifunga kuti ndanga ndichifungira
Tafadzwa kuti ndiye aita zvose izvi

"Thanks"

"Ndanga ndichifanirwa kuzviita"


"Thanks kuti wapinza hupenyu hwako
munjodzi nekuti wanga uchida
kuponesa wangu hupenyu"

Tafadzwa akandiswededza paari


"Zvakwana manje wave kunzwa sei?"

"Ndave right manje ndinoda


kukanganwa nezvinhu zvose zvaitika"
"Dai ndakubvunza something asi
unofanirwa kuzorora manje
haufanirwe kutaura nezvinhu zvaitika
nhasi"

"I'm sorry"

"Sorry yei?"
"Ndanga ndichifunga kuti ndiwe waita
zvose izvi"

Tafadzwa akavhura maziso. "Why?"


Ndakamuudza nyaya yose yaiva
yaitika asi akanzwisisa.

"Ndokumbira kuti uzorore tichataura


mangwana"
Apa ndaiva ndisina kana mapjyma
akatora hembe yake achindipa
tichibva tarara.

*TAFADZWA*
Ndakamuka makuseni ndikaona Ane
akarara ndakamuka ndichienda
kukitchen ndichimugadzirira
breakfast

"Morning" Ane akadaro


achinyemwerera
"Morning mai Mushavi marara sei"

"Ndarara zvakanaka"

"Here is your breakfast"


"Hona wakuvara sei wanga
usingafanirwe kuita breakfast ndanga
ndichaita ini kana ndamuka"

"Hakusi kukuvara uku kavanga kadiki


kakadai"
"Haaa Tafadzwa"

Ndakagara pedo naye ndichitanga


kumudyisa.

"Thanks"
"Waguta?"

Ane akaseka. "Haaa ko ndave mwana


mudiki here Tafadzwa?"
"Hameno gara zviya wakati unoenda
rinhi kumba kwenyu?"

"Nemugovera asi handifungi kuti


ndichaenda"
"Nei?"

"Handikusiyi wakakuvara kudai"

"Neniwo ndiri kuenda kumba"


"Wakakuvara kudai, uchati waita sei
kumba?"

"Ndichati ndakuvara that's all


havanga ndibvunzi mibvunzo yavo
kaa vanenge vave kuda mweya
wangu manje"
"Yoooh iwe Tafadzwa unodherera
manje" ndakadaro ndichiseka

"Haaa unoziva nezuro ndakatiza


kujeri ndaiva ndakasungwa kubva
musi wavaku kidnapper"
"What?"

"Yaaah vanga vachifungira kuti ndini


ndaita zvose izvi making up stories
nevana vaunogara navo ikoko zvabva
zvaita kunge ndini ndaita zvose izvi
ndoshuvira kuti dai ndaendako
ndosvika ndichiva kwapaidza
nemambama vose"
Ane akaseka chinhu chinondifadza
zvakanyanya kumuona achiseka

"Tafadzwa pane chinhu chandisinga


nzwisisi"
"Chii manje?"

"Kuswera nezuro ndakafonera Nicole


nekuti ndaitya kufonera iwe
ndaifungidzira kuti ndiwe waita zvose
izvi. Ndakamufonera
ndichimukumbira kuti aende
kumapurisa anovaudza nyaya yangu
ndakamupa chero neaddress asi
zuva rakasvika pakuvira asina kuuya"

Ndakashamisika. "Nei asina kuenda


kumapurisa?"

"Ani ndakangozviudza kuti ari


munjodzi kana kuti mapurisa haana
kumu believer"

Ndakanyarara ndichifunga
nezvanyaya iyi, kuti ndiye here
naThemba vaita izvi apa vanga
vachida munhu ari mhandara uye
vanhu vaita izvi vane mari. Nicole asi
akabhadharwa kuti atengese Ane
ndiye ega anoziva kuti Ane
imhandara saka zviri nyore kuti
amutengese
"Uri kufungei?"

"Aaa zvangu unga zvikwanisa here


sezvo wati uri kuenda nemugovera
kumba tofanirwa kunotora mbatya
dzako kwaunogara zvagara
kwangosara 2 days uchaenda
uchibva pano"
"Okay no problem"

"Rega ndinogeza tiende"


Nei Nicole asina kuenda kumapurisa
sekukumbirwa kwaaitwa naAne,
mapurisa vanga vachiziva
nezvenyaya iyi vaimu believer uye
vaiwana pekumutangira kumutsvaga.
Nhasi ndinoda kuziva chokwadi
chose pandichaenda kumba kwake.

Ndapedza kugeza takanopinda


mumota tichienda takasvika
tichipinda mukati asi Nicole
paakaona Ane akavhunduka,
kuvhunduka kwake hakuna kundipa
runyararo. Unomuona kuti munhu uyu
avhunduka zvinhu zvaari kuona aiva
asingafungiri kuti zvaitika hakusi
kuvhunduka kwekufara asi kwake
ndekwekutya.

Ndakaona Ane achiyeredza misodzi


achinomuhaga
"Nicole" Ane akadaro

"Anenyasha you're back" Nicole


akadaro
Ndakagara pasofa ndichipeta maoko
angu ndichimutarisa

"Yes ndadzoka Taffy ndiye


andibatsira kuti ndidzoke dai asina
kusvika dai kutaura kuno ndatove
kuNigeria"
"I'm sorry Chommie" Nicole akadaro
achinditarisa

"Thanks Tafadzwa" Nicole akadaro

"Aiwa ndanga ndichifanirwa kuzviita


but now ndiri pamission yekutsvaga
munhu atengesa Anenyasha nekuti
zviri pachena kuti atengeswa"
ndakadaro

Akabva atizisa maziso ake achitarisa


pasi. Ooooh Mwari wangu ndiye
mwana uyu aita zvose izvi.
"Nicole ndakakufonera wakaita sei?"
Ane akabvunza

"I'm sorry Ane asi zvaiva pachena kuti


pane munhu aiva akanditarisa nekuti
pandaiva ndave kuda kuenda
kupolice station pakabudikira mota
kwakabuda murume akandiudza kuti
anoziva kuti ndiri kuenda kupi better
ndidzokere hangu kana ndichiri kuda
kurarama I'm sorry Chommie neniwo
ndaitya kuenda" Nikky akadaro

"Ndinonzwisisa ndakaziva kuti


wasangana nezvinhu zvakadaro" Ane
akadaro

"Sorry Chommie" Nicole akadaro


"Ummm at least tose tiri safe manje
saturday ndiri kuenda saka ndauya
kuzotora mbatya dzangu ndichabvira
kuna Taffy"

"Okay" Nikky akadaro


Ane akaenda kunotora mbatya dzake
apo ndaiva ndakagara ndakatarisa
Nicole mumaziso paakaona kuti
ndamutarisa nguva yakareba
akasimuka achienda kuna Anenyasha
ndakadzungudza musoro. Ane
anoonekwa kuti anomuvimba
musikana uyu achanzwa sei
paachaziva kuti ndiye aita zvose izvi
asi ndinofanirwa kutanga ndawana
evidence yakakwana then ndozoona
kuti ndoita sei nayo.
Ane akauya akabata bag rine mbatya
dzake ndakatora bag achibva
ahagana naNicole vachionekana.
Takabuda tichienda kumota ndakaisa
bag rake kuboot ndichimutaa
kumashop. Kumba hapana chinhu
chinodyiwa ini ndinodya chero
chiichasvika handina basa
nezvakawanda asi munhu wechikadzi
anoda zvakasiyana siyana.
Takapinda mukati ndakaudza Ane
kuti atore zvinhu zvaanoda tapedza
takadzokera kumba.

*Narrated*
Mpume aiva akagara mu room make
achifunga nezvenyaya ye munin'ina
wake kuti anofanirwa kuroorwa na
Tafadzwa. Akatanga kufunga zvinhu
zvaakasangana nazvo ari kwa Zvayi.
Akasimuka achienda mu room ma
Bridget

"Sisi"
"Bridget hauroorwi na Tafadzwa"

"Why?"

"Why Bridget?"

"Yes sisi Tafadzwa ndomuda ini"


"Iye anokuda here? Dai muchitaura ka
sezvo une pamuviri pake"

"Aewa asi nai--"

"Bridget Tafadzwa haakudi saka


handingabvumi kuti uroorwe
nemunhu asingakudi"

"Please sisi ndokumbira usandidaro"

"Ndapedza newe Bridget hapana


Tafadzwa achakuroora" Mpume
akadaro achibuda achienda
*Anenyasha*

Ndaiva ndakarara pamakumbo a


Tafadzwa tichiona TV. Nguva dzaiva
Kuma seven manheru

"Tafadzwa"
"Hmm"

Ndokumbira kukubvunza something


asi ndoziva uchanditsamwira"

"Bvunzai mai Tawedzerwa


handitsamwi"
"Nei wakasiya?"

"Handizivi ndakangonzwa husimbe "

Ndakamutarisa
"Husimbe? Wakanzwa husimbe
hwekuita basa rawakadzidzira
kwemakore"

"Husimbe hunongosvika Ane hauna


basa kuti wakadzidzira basa
kwemakore"
Handina kumupindura ndakamutarisa
ndichishamisika. Ini ndiri
kumubvunza zvinhu zviri serious iye
ari kutoita ma jokes hake.

"Ayy ndava nehope ini hande tinorara"


Tafadzwa akadaro tichisimuka
tichienda ku bedroom. Patakasvika
Tafadzwa akandiswededza paari
tichitanga kukisana
Akandiwisira pa bed achikwira
pamsoro pangu. I think yava nguva
manje yekuti ndive mudzimai.
Humhandara uhu ndakahuchengeta
kwenguva yakareba now it's time kuti
ndipe munhu ari mumoyo mangu.

Takakisana ndikamukurura hembe


apa ma feelings aiva oita zvinogara
zviripo pakati pedu. Akandikisa
achibva andisiya
"I'm ready Taffy

"Ready for"

"Kukupa humhandara hwangu"


Akasimuka pamsoro pangu
achipfeka hembe ndakashamisika

"What?"

"Wakati kwandiri munhu wauchapa


humhandara hwako munhu
achatanga akuroora"
"Yes ndakadaro asi now ndaona kuti
unondida. Saka kupa munhu
wandinoda humhandara hwangu
handifi ndakazvishora"

"Let's do this Ane. Ini newe ticharara


wava ready kwete now, une pressure
yekuti ndakuponesa. I know kuti you
feel guilty nezvinhu zvose asi usaita
zvinhu zvausingadi ini I'm okay ne
decision yekutanga. I love you so
much so I have to respect your
decisions. Ini ndicharara newe kana
ndaita zvinodiwa kumba kwenyu
okay"

Ndakamutarisa ndichinyemwerera

"Shuwa here Taffy?"


"Yes I love you so much"

"I love you more Taffy" ndakadaro


tichihagana

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/Lt6MlwL
G8mrFnvYmBZ1RtL
*From chapter 1 pindai umu EǥE
ǥ*

*ANENYASHA*

*Written by. Makalulue*


*Edited by: Ellena*

*Chapter 24*
*Anenyasha*

Nhasi izuva rangu rekuenda kumba, I


can't wait kuona Paida I know she
miss me sezvo ari ega. Baba
handinga vaverengi kuti vanogara na
Paida nekuti vanogara vakazvivharira
mu room mavo. Mukoma Kurai
vakatenga musha vava kugara
nemhuri yavo kure nesu. So I know
Paida anzwa nekugara ari bored
Taffy haapo ati ari kunooneka
shamwari dzake ini ndatopedza
kugadzirira. I hate kuti ndine rwendo
ndopedza kugadzirira ndobva
ndagara zve pasi.

Taffy akazosvika after some minutes


achibva atora bag rangu nerake
achiaendesa ku boot achidzoka zve
"Now ngatichienda mai Tirimunzira"
ndakamutarisa ndichinyemwerera

"Chii" Tafadzwa akabvunza


"Ndanzwa nekudamwa nemazita
evana vandisingazivi kuti vachavapo
here"

Taffy akaseka

"Soon Tawedzerwa kanenge kavapo


zvako"
Ndakaseka tichienda kunopinda
mumota achiimutsa yakananga
kumba

"Tinofanirwa kudzoka tava official"


"Handisi kunzwisisa"

"Tinofanirwa kuudza family yedu


nezverudo rwedu ndave kuda kukuita
mukadzi wangu manje"

"You think vabereki vako


vachazvibvuma?" Ndakabvunza ndiri
worried

"Vanofanirwa kuzvibvuma ndinenge


ndisingakumbiri mari yavo ka. Kana
vasingakudi pamusha pavo zvagara
ndine imba yangu tichanozvigarira ku
Harare. Isu chatingoda kwavari
makomborero avo"
"Ndinotya Taffy"

"Vabereki vangu usavatya ndicha


dealer navo iwe chako taura na
vaZhou"
"Haa avo vanobva vatondirova"

Taffy akandiseka

"Uri kusekei?"
"Zvauri kutaura" Taffy akadaro
achimhanyisa mota.

Hours later taiva tatova mudhorobha


rekwedu, Taffy akamisa mota pa
restaurant, Taffy anondiita mwana
shuwa. Tapedza kutenga chikafu
akandiendesa mu shop yembatya
"Tiri kudei pano?"

"Your shopping my love"

"But Taffy nd---"


"You won't disappoint me right?"

Handina choice coz Taffy


haambondiregi kusvika ndatora
mbatya. Ndakatora shoma nekuti
ndaityira homwe yake. Mbatya
dzinodhura shame

"I think dzakwana"


"Ishoma mbatya idzi babe
ndokumbira utore dzinodarika apa"

Ndakamutarisa akanditsonya
achinyemwerera, ndakazotora
dzimwe tichibva taenda pa till
tichibhadhara. Amount yacho handidi
kumboitaura inotyisa.
Takazoenda kune imwe liquor store
achitora 12 Heineken tichibva taenda
kumota

"Saka uchachaira uchimwa doro?"


"Asi zvakashata?"

"Tafadzwa!! Iwe hauzivi here?"

"Ahh ini handioni kuipa kwazvo"


Ndakadzungudza musoro
ndichivhura juice yangu naiyevo
achivhura doro rake tichibva taenda.
Ndakamukumbira kuti tidarike
tichitora Talent shamwari yangu I
miss her shame.

Takadarika tichimutora tichienda


kumba kwedu. Tafadzwa akatisiya
pagedhi. Takaburuka na Talent, haipo
nguva yekuti tirove katsvodi na Taffy
baba vangazotiona. Talent
paakaburuka ndakaswedera pana
Taffy

"Okay ndichakufonera" Tafadzwa


akadaro achimutsa mota achienda.

Ndakanyemwerera ndakatarisa mota


ichienda. Payaiva isingachaonekwi
ndakapinda mukati. Paida
paakandiona akandimhanyira
achindihaga

"Uchandidonhedza Paida tora zvinhu


izvi"
Paida akaseka tichitora zvinhu
tichienda mu room mangu. Tichitora
zveku kitchen tichizviendesa.
Takazotaura nyaya dzisingaendi kure
Talent achibva aoneka.
Ndakamukumbira kuti auye kuzorara
neni timbokurukura nyaya dzechidiki.
Akabvuma achibva aenda

"So mukoma avo vanondizvara


vaenda kupi?"
"Vati vari kuenda ku shamwari yavo"

"Hanzii nenyaya yamama?"

"Eish Ane zvakaoma"


Ndakaona marwadzo kumeso kwake.
Yes Mai Sarah vakaita zvakashata asi
ndimai vake ka. Uye now vasuffer
zvakwana baba vanofanirwa
kuvaregera I know vanomuda
mudzimai wavo
"Don't worry tichataura na baba"

"Wavaregerera here?" Paida


akabvunza

"Ndakavaregerera kare"
"Thank you so much" Paida akadaro
tichihagana

*Tafadzwa*
Eish stress yekuenda kumba ayy ma
court acho haaperi ndiko Saka
ndisingafariri zvekugara kumba.
Pandakangopinda ndisati
ndatombodii ndakadanirwa
kumuzinda. Na mhamha vasati
vatomboita hug.

"Unoshanda mpfana muchina


wemota iyi kana kumbotiudza" baba
vakadaro

Handina kuvapindura

"Hey mpfana muchina ka uyu iwe "


Ticha akadaro
"Ndiani ati mutaure kana ndichitaura"
baba vakadaro

"Ruregerero baba" Ticha akadaro

"Ehe baba ndeyangu" ndakadaro


"Yah wakura Tafadzwa wave
kukwanisa kunhumburisa ka" baba
vakadaro

"Ehe baba ndinobvuma ndakaita


mistake asi handifungi kuti mwana
wangu"

"Tafadzwa unopenga here mpfana


iwe?" Munya akadaro

"Taffy usataura uchidaro iwe


wakarara nemwana wevanhu" Ticha
akadaro

"Aewa handizvibvumi izvo"


ndakadaro
"Unoona mwanangu zvawakashanda
kudai nehurume hwako enderera
mberi uchihushandisa Masithole
unofanirwa kunomuroora sezvo
wauya kudai"

"Aewa baba handisati ndava ready


kuroora ini uye ndicharoora munhu
wandinoda"

"Saka uri kupikisana neni here?"

Ndakabva ndanyarara
"Uchida usingadi uchamuroora
Masithole agoita mukadzi wako hanti
wakaita murume paari
ukamunhumburisa"

Handina kuvapindura

"Chiendai henyu" baba vakadaro


Ndakasimuka ndichienda,
ndakadarika ku kitchen mhamha
pavakandiona vakandifarira
vachindihaga

"Mwanangu"

"Mhamha muri sei?"


"Ndiri right mwanangu ndakakuguma
kare nei usingauyi kuzondiona?"

"Munoziva mhamha kugara pano


handidi Ini dai zvichibvira ndaikutorai
ndonogara nemwi ku Harare"

Mhamha vakaseka
"Baba vako vakakunzwa uchitaura
uchidaro vachakuuraya"

"Yoo kunochererwa ndiri mupenyu"


ndakadaro tichiseka
"Chikafu chako chiri apo mwanangu"
mhamha vakadaro.

Mamoyo vakabva vapinda


takamhorosana ndichibva ndaenda
mu room mangu. Jay paakandiona
akandimhanyira
"My champ"

"Bamunini nei musina kundiudza kuti


muri kuuya?"

"Sorry neniwo ndanga ndisina


kuzvironga kuti ndiri kuuya"
"Yoo bamunini hamuzivi ndanga
ndichikufungai sei"

"You know what ngatimbobuda


tifurwe nemhepo"
Jay akafara zvakanyanya

"Shuwa here bamunini?"

"Ehe hanti tava nemota itsva here"


ndakadaro tichibuda tichinopinda
mumota. Ndaiedza kufamba
zvakanaka asi chidzva chaiti
unonyeba sezvo ndisati ndava right."

"Chii superstar kufamba


uchikamhina?"

"Ndakuvara Champ but not that bad"


"Okay superstar"

Munya akaswedera patiri

"Hahaha mpfana wava president


here.mota inodhrayivhiwa nembinga
chete iyi" Munya akadaro
"Thanks broe" ndakadaro ndichiseka

"Haa imvura mota iyi.zvinoonekwa


kuti wava doctor manje" Ticha
akadaro naiyevo achiswedera patiri

"Doro? Unochaira sei uchimwa?"


Munya akabvunza
"Wee gara zviya ndasvika kumba ayy
ayy"

"Munya Ari kutaura chokwadi boy


usazviita izvi" Ticha akadaro
"Saka unoda kuenda nemwana
wangu apa uchichaira uchimwa
doro?" Munya akabvunza

"Superstar anondida Saka hapana


njodzi yaachaita" Jay akadaro
achitarisa baba vake neziso
reruvengo.
Ayy iyi yave kuda vakuru vanofamba
najesu. Ndakamutsa mota
ndichifonera Ane ndichimuudza kuti
ndiri kuendesa Jay mu town

*Munyaradzi*
Mangwana makuseni ndakamuka
ndichivhura wardrobe ndichibudisa
ma paper e divorce. Ndakaatarisa
ndichinyemwerera. Handina
kumbobvira ndakaaendesa nekuti
ndaiziva kuti Ane achadzoka kwandiri.
Chinhu chaaingoda kupedzisa
zvidzidzo zvake.

Ndanzwa kuti auya nhasi


ndinofanirwa kunomuona uye
ndinoziva kwandichanomuonera. Sisi
vake ndinodziziva nguva
dzaanochera nadzo mvura ndinoziva
kuti naiyevo achange aripo.

Ndakagadzirira ndichibva ndabuda.


Pandakasvikako ndakavhunduka
ndichimuona akamira nemurume.
Ndakazotura befu pandakaona
akamira na Taffy na Jay.
Ndakaswedera pavari. Vakavhunduka
pavakandiona
"Broe" Taffy akadaro

"Ndinokumbira kutaura na Ane tiri


vaviri
*Tafadzwa*

Ndakaona Munya achiswedera patiri,


I think now yava nguva yekuti Munya
azive chokwadi pakati pedu. Ane
akavhunduka paakaona Munya

"Ndokumbira kutaura na Ane tiri vaviri


"Ayy an--

Ndakaona Ane achidzungudza


musoro, Saka ndave kufanirwa
kuvasiya vari vaviri just like that as if
ini handisi chinhu pana Ane. Never
ndoda kunzwa zvinhu zvavari kutaura.
Ndakabata Jay ruoko tichibva taenda.
Ndakatora foni yangu ndichifonera
Ane.
Ndinoda kuti aidaire then ndonzwa
zvose zvavari kutaura. Paaiva
asingaidairi ndaida kuenda kwavari.
Ko hanti haasisiri mukadzi wake here.
She's my girlfriend now

*Anenyasha*
Handizivi kuti ndiite sei. Munya
zvinoitavo here kuti arambe
achingonditeverera nekuti
takaparadzana. Ndakaona Taffy na
Jay vachienda asi aingotarisa
kumashure. Munya hazviiti kuti
timuudze nenzira yakadai. Tofanirwa
kutsvaga nzira ine chiremekedza
yekumuudza nezverudo rwedu na
Taffy. Foni yangu yakarira aiva Taffy.
Anopenga here mukomana uyu?"
Handina kudaira ndakaisa pa silent
"Uri sei Ane?"

"Mushe sei iwewe?"

"Ndizvozvo hazvo asi ndanzwa


nekukufunga. Aewa Ane chero hope
hadzibati kani "
Ndakashaya kuti ndomupindura
ndichiti kudii

"Kuri sei kuchikoro?"


"Kuri right thanks nekubvunza"

Tafadzwa aingofona nonstop eish I


think ndave kufanirwa kuenda manje.

"Baba vari kundifonera vanga vati


kune kwavanoda kundituma Saka
ndave kufanirwa kuenda"
"Okay ndinokumbira kukusengedza"

Ndakabvuma achibva andisengedza


ndichienda. Ndainzwa kuti maziso
ake ari kwandiri. Ndakaramba
ndichifamba kusvika ndasvika kumba.

"Haa unofamba wena, kuita


sewaenda ku town iwe waenda
parwizi apa" baba vakadaro

"Baba ndine shamwari


dzandakaguma kare Saka
patinoonana tinombomira tichitaura"

"Okay mai Mushavi ndiri kudya zvinhu


zvawandivigira pano"
Ndakaseka ndichienda Kuna Paida
aiva busy nemapoto.

"Wasara sei ndamuona Munya


achiuya kwamuri?" Paida akabvunza

"Yoo uyuvo uyo, asvika akadzinga


Taffy"
"Zvino Taffy adi?" Paida akabvunza
achiseka

"Angadii aenda. Hoyu Ari kufona"


ndakadaro ndichidaira
"Saka kusadaira foni chii nekuti
ndanga ndichida kunzwa zvamanga
muchitaura"

"Ayy Tafadzwa " ndakadaro


ndichiseka

"Ayy Tafadzwa kudii manga


muchitaurei?"
"Hapana angondibvunza hupenyu
nekuti kuchikoro kuri sei? Ndichibva
ndamunyebera kuti ndibaba vanga
vachifona"

"Wanga uchifanirwa kudaira foni


azive kuti wava wangu manje"
"Haisi nzira yekumuudza iyo
Tafadzwa tofanirwa kumuudza
zvakanaka kwete musango sezviya"

"Okay ndine godo ka ini"

"Uchava strong " ndakadaro


ndichiseka tichionekana ndichienda
Kuna baba
"Baba ndinokumbiravo kutaura
nemwi"

"Haa zvino ungabva wakumbira


kutaura na baba vako shuwa"
"Ehe pamwe zvinhu zvacho
zvichakutsamwisai"

"Taura tinzwe"

"Mushavi nguva yareba manje


mhamha vasipo ndinoona sekuti yava
nguva yekuti muvaregerere"

Baba vakanditarisa vachishamisika

"Heee!!"
"Kusvika rinhi baba? Tose tinoita ma
mistake uye tinofanirwa kuregererwa
topihwa umwe mukana. Hapana
munhu asingafanirwi kupihwa umwe
mukana panyika ino kana achinge
aita mistake"

"Mai Sarah Havana kuita mistake


vakatozviita vachida. Hapana munhu
angaita mistake inotyisa
kudai.akabuda pano akaenda ku
n'anga . Nzira yose iyi aiva
asingazvioni here kuti Ari kuita
mistake? . Akatora Mari yangu
achinobhadhara n'anga kuti iuraye
mukadzi wangu. Apedza ndipo
paakaona kuti I mistake"

"Ndinokunzwai baba asi vakazo


realizer kuti hazviiti Havana
kuzozviita. Please baba mhamha tiri
kuvada isu sevana vavo"
"Ini ndiripo zvose zvamunoda
ndichakuitirai"

"Ndinoziva baba asi space ya


mhamha haivhariki zviripo zvimwe
zvinhu zvatinenge tichida kutaura na
mhamha"
Baba vakabva vasimuka

"Ndoda kumbofurwa nemhepo"

"Baba"
Havana kundipindura vakabuda
vachienda. Ndakasara ndakangoti
dzvoo maziso. Paida akauya kwandiri

"Baba havafi vakaregerera mhamha"

"Usataura uchidaro vachavaregerera


nekufamba kwengu"
Pakamboita runyararo kwema
minutes pasina aitaura neumwe.
Paida ndiye akazo breaker silent

"Saka nyaya yako na Tafadzwa inoti


kudii?"

"Tinodanana uye tinoda kuti rudo


rwedu ruende kune rimwe level".

Paida akaseka

"Watova muchato ka uyo"

Ndakaseka
"Yah something like that asi
handifungi kuti kumba kwavo
vachandigamuchira"

"Yah taura hako. Yes pekutanga


zvicharema asi vachapedzisira
vazvigamuchira vachaona kuti
munodanana zveshuwa "
"Yah maybe"

"Yes Mrs doctor "

*Unoziva pane nyaya yandinoda kuti


undionese Paida ndapererwa ini
handichazivi ndoti kudii"
*Nyaya yeyi manje?"

"Tafadzwa haadi kushanda


akangoshanda mwedzi umwe chete
akarega"
"Yonaweee"

"Shuwa zve kana ndichimubvunza nei


wakasiya basa anondiudza kuti
naiyevo haazivi. Imagine akadzidza
makore ose aya pedzezvo haachadi
kushanda"

"Hanzi handiziviwo "


"Ehe ndizvo zvaanondiudza"

Paida akanyarara achitarisa mudenga

"Chii Paida?"
"Hanti unoziva kuti Tafadzwa
akazvarirwa pabarika?"

"Pabarika pane type yose yevanhu.


Vanoroya vane godo. Hanti unoziva
kuti Pana mama Ethan vaitonga
nehuroyi"
"Paida handisi kunzwa kuti kuenda
nyaya yako "

"Pamwe Taffy akagadzirwa hapana


munhu akakwana angaita zvinhu
zvakadaro never"

"Ahh Paida uri kutaura chokwadi


zvino ndofanirwa kuita sei?"
"Unofanirwa kunomutsvagira
rubatsiro ku n'anga or kuna mufundisi
Tino uya aimbonzi akaiswa mhuka
bla bla anobatsira shame akabatsira
vakawanda nemukadzi wake Esnath
or uende ku n'anga "

"Pane n'anga yaunoziva here"


"Ehe iripo iya inogara yakasviba
inoteverwa nemukomana mupfupi
anofamba achidona anonzi bhurugwa
. N'anga yacho ndaikanganwa Zita
rayo "

"Shumba Vaya vanotyisa?"


"Exactly "

"Ahh Tafadzwa haangabvumi kuenda


ku n'anga "

"I boyfriend yako ka unomu convince


kuti pane zvinhu Zviri wrong paari
Saka unoda kumubatsira. I know kuti
haangabvumi asi unofanirwa kuita
plan kuti abatsirike"
Ndakatarisa Paida

"Kure kunogara baba Vaya Kuna baba


ndichati ndiri kuenda kupi?"

"Baba tichavapeta nezvinhu zve


chikoro kuti pane zvinhu
zvawakanganwa ku Harare "

Ndakamuhaga ndichinyemwerera

"Thank you sisi you're the best in the


world "
You're welcome"

*Narrated*

Nicole haasisina zororo mumoyo


make, ave kugara achivhunduka
nenyaya ya Ane. Chii chichaitika
zvikazivikanwa kuti aiva involve paku
kidnepwa Kwa Ane. Uye akamuona
Tafadzwa anenge Ane zvaari kuziva

****************

On other side Bridget ane ma


problems ake aiva akagara pa bed
achichema.Mpume akapinda

"Bridget uri kuchema?"

Bridget paakaona Mpume


akavhunduka achipukuta misodzi
"Ndiri kutaura newe Bridget uri
kuchemei?"

"Ndoda kuva ndega sisi please"

"Handibudi muno usina kundiudza,


ndi Tafadzwa here?"
"Why everything is about Tafadzwa!!
Ndiri right ini ndati ndoda kuva
ndega!!"

"Taura neni Bridget ndiri sisi vako


ndichakubatsira"

"Ndiri right Mpume" Bridget akadaro


achibuda achienda

*Tafadzwa*

Ndaiva ndakagara na Jay tichitaura


nyaya na Jay, hwaiva husiku, Foni
yangu yakarira aiva Ane "
"Anenyasha dzangu"

"My lucky Charmer "

"Wow ndageza kupi nhasi?" Ane


akaseka
"I need your favour babe"

"Anything for you my love"

"Ndinoda kuenda ku fillabus


mangwana "
Ndakavhunduka

"What? Kunei?"

"Inyaya ya mhamha ndokumbira


undiperekedze"
"Ayy uko kwakazara magweja
handiendiko"

"Please Taffy hapana umwe munhu


wandingakumbira kunze kwako"

"Ane wanga uchifanirwa kundiudza


early. Ndine zvinhu zvandinoda kuita
mangwana plus kumba pane zvinhu
Zviri kuitwa Saka ndinofanirwa
kuvapo"

"Ohh Saka haundiperekedzi it's fine


bye" Ane akadaro achikata foni

Ohh Saka atsamwa. Ndakamufonera


back achibva adaira
"Saka neyi wa dropper foni?"

"Ndazviwana zvandanga ndichida ka


Saka nda dropper"

"Anenyasha unofanirwa kubvuma kuti


uri wrong wanga uchifanirwa
kundiudza early"
"Okay I'm wrong I'm sorry"

"Fine tichaenda Kuma 5 sezvo kuri


kure"

"Okay babe I love you"


I love you more" ndakadaro
ndichikata foni. Eyy vakadzi so.
Makore ndeemunhu mukuru asi
pfungwa ndedzemwana ane two
years

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/Lt6MlwL
G8mrFnvYmBZ1RtL
*From chapter 1 pindai umu* ȯǤȯ
ǤȯǤ

*ANENYASHA*
*Written by: Makalulue*

*Edited by: Ellena*

*Chapter 25*
*Narrating*

Aiva makuseni apo Zvayi brothers


yakagara mu kitchen ichidziya moto
ichizuwa nyaya asi Munya aionekwa
kuti aiva asiri pavari aingofunga
nezva Ane wake mabrothers ake
akazvi noticer kuti munhu uyu haasi
pavari.

"Uri kufungei nhai zvauri


kungonyemwerera?" Ticha akabvunza

"Eish haunganzwisisi" Munya akadaro


"Tiite kuti tinzwisise" Ethan akadaro

"Ndamuona" Munya akadaro


"Waona Ani?" Ticha akabvunza

"Anenyasha yoooh mwana akanaka


uya anga akaita kunakira svoto
Munya akadaro
"Hey aaaa zvakaoma pamwana
wekwaZvayi" Ethan akadaro

"Ndiri kukunzwa unomuda mwana


uyu uye handina problem nazvo
ndinofara kukuona uri murudo kudai.
Asi ndine kafeeling kekuti
ucharwadziwa zvakanyanya" Ticha
akadaro
"Unorevei manje?" Munya akabvunza

"Hazvingaiti kuti mwana uyu anga ari


kuHarare achidzidza oshaya munhu
waanga danana naye" Ticha akadaro
"Aiwa hazvingaiti izvozvo" Munya
akadaro

"But bro ini ndofunga Ticha ari


kutaura chokwadi nezvenyaya iyi"
Ethan akadaro
"Maitaurei nezuro?"Ticha akabvunza

"Hatina zvatakataura zvinoenda kure


ndakamubvunza hupenyu achibva ati
baba vake vari kufona achibva aenda"
Munya akadaro

"Hey kana pane zvinhu


zvaunofanirwa kuita ita fast nekuti
uchava neproblem, problem hombe"
Ethan akadaro

"Yaaah ndinonzwisisa" Munya


akadaro

"Pamwe panotori nemunhu ari


serious naye" Ethan akadaro

"Ayewa Ane mukadzi wangu hapana


munhu ane right paari kunze kwangu"
Munya akadaro

"Makaita divorce kare" Ticha akadaro


"Hatina kumbozviita izvo iye ari
kufunga kuti takaita divorce asi achiri
mukadzi wangu" Munya akadaro

"Iwe hauoni kuti achakutsamwira


here nezvenyaya iyi" Ticha akadaro
"Ndichataura naye" Munya akadaro

"Ngativimbe kudaro kuti zvinhu zvose


zvichafamba mushe" Ethan akadaro
"Hapana zvinhu zvichachinja. Ko
Tafadzwa ari kupiko nekuti mumba
make haamo. Ndabvunza Jay
waanorara naye asi ati haazivi?"
Munya akabvunza

"Neniwo handizivi asi ndambonzwa


mota yake ichidhuruma kuma 5"
Ethan akadaro
"Anoziva kuti tinofanirwa kuita sei asi
iye anofunga kungoenda hake"
Munya akadaro

"Mupfanha uyu mota yake


inomupengesa" Ticha akadaro
"Haachakwanisi kugara pasi" Munya
akadaro

"Asi achamuona mushe Zvayi nekuti


atiudza kuti anotida tose" Ticha
akadaro
"Yooh ini handichazivi" Ethan akadaro

¥ ¥ ¥ ¥ ¥ ¥

Family yekwa Sithole yaiva yakagara


ichidya asi Bridget aiva asipo
patafura chero muroom make vari
pakati pekudya Bridget akapinda
"Bridget uri kubva kupi makuseni
ano?" mai Mpume vakabvunza

"Ndanga ndichifurwa nemhepo


mhamha" Bridget akadaro
Mpume akangonyarara achimutarisa.

"Asi haunga mbobudi usina kuudza


munhu usakanganwa kuti hausisiri
wega pane umwe mweya uri pauri"
mai Mpume vakadaro
"Sorry mhamha" Bridget akadaro

"KwaZvayi vanga vafona vachitaura


nezvekuti svondo rino hariperi vasina
kuuya kuzoroora" mai Mpume
vakadaro
"Kuroora? kuroorei mhamha? nei
muchifarira kugara muchipinda
muma problem vakomana
vekwaZvayi vane nzira dzavo havafe
vakachengeta mukadzi zvakanaka
vaya" Mpume akadaro

"Ndinonzwisisa mwanangu kuti chii


chakaitika pakati pako naMunya asi
izvi hazvirevi kuti vose vakadaro" mai
Mpume vakadaro
"Bvunzai mwana wenyu uyu kuti
Tafadzwa watiri kutaura nezvake
anomuda here, anombofona here
achibvunza nezvemwana ari
mudumbu" Mpume akadaro

"Bridget" mai Mpume vakadaro


vachitarisa Bridget

"Ini handizivi problem yako iri papi


iwe Mpume" Bridget akadaro
achitendeuka achienda muroom
make

Mpume akamutevera.
"Bridget taura chokwadi uri kubvepi?"
Mpume akabvunza

"Ndataura wani ndanga ndichifurwa


nemhepo"
"Usanyepa Bridget chii chiri kuitika
pauri mazuva ano ndiunze?"

"Hapana chiri kuitika sisi" Bridget


akadaro
"Unoziva zvinorwadza hameno chii
chiri kuitika pauri asi zvinhu zvauri
kuita ndini ndichatambura
namhamha but anyway wakura kana
wadai wave kukwanisa kutora
madecision ako" Mpume akadaro
achibuda muroom maBridget

*Anenyasha*
Tiri mumota tiri kuenda kufilabusi
naTafadzwa yooh hakusi kuneta uku
handizivi tichasvika nguvai

"Ko nhai Tafadzwa hatisviki here?"


"Tosvika after 30 minutes"

"Oooh thank God ndaneta ini"


ndakadaro
"Saka iwe unoreva kuti haungaendi
kujoni nekuti kure"

Ndakaseka, "Ndokurumidza kuneta


ini nekugara mumota"
"Ndiudze Uri kunoitei kwatiri kuenda?"

"Uchaona tasvika"
"Wandifambisa mufambo wakareba
kudai handizivi kuti tiri kunoitei what
if uchinondiuraya woromba neni"

Ndakaseka. "C'mon babe ndingabva


ndaromba newe uri wekumba kwedu
here?"
"Aaah ko handiti unoromba nemunhu
waunoda zvakanyanya saka ini
ndinoziva kuti iwe unondida
zvakanyanya saka unokwanisa
kuromba neni"

Ndakaseka. Takafamba tikasvika


pedo nemusha wekwaShumba
sekurairwa kwandaiva ndaitwa
naPaida. Ndakatanga kurohwa
nehana handizivi kuti nyaya yose iyi
Taffy acha reacta sei. Takasvika
pedo nemusha wacho waitoonekwa
kuti musha wen'anga

Pagedhi paiva nematehwe enyoka


zvichakadaro pakabudikira umwe
mukoma mupfupi aifamba achidonha

"Yonaweee" bhrugwa akadaro


achidonha achisimuka zve Tafadzwa
akanditarisa nekushamisika

"And then?"

Ndakavhunduka

"Musha wen'anga kauyu?"


"Ndauya pano kuzo......."

"Wandifambisa mufambo wakareba


kudai uchindifambisira zvekupenga
izvi Anenyasha"
"Hazvisi zvekupenga Tafadzwa"

"Wavingei pano?"
"Handisirini asi ndiwe"

Tafadzwa akavhura maziso. "What?"

"Tafadzwa une problem saka


unofanirwa kubatsirwa nen'anga"
Tafadzwa akashamisika

"Ndine problem yei ini?"


"Yebasa I'm sure pane zvinhu zvisiri
right pauri nei usingadi kushanda"

Tafadzwa akanditarisa asinga


zvibelieve

"Handisi kukunzwa ini Anenyasha"


Ndakamuudza nyaya yose asi
ndakapedza munhu ave kupupuma
nehasha

"Unopenga here iwe? Anenyasha


ungaita zvinhu zvakadaro sei
kwandiri unonditora sei? Wandibvisa
kumba uchindiunzira zvekupenga izvi
tisina kuwirirana" Tafadzwa akadaro
nehasha

"Zvichabatsira iwe babe please


ndokumbira tipinde mukati Zvayi"

"Unondijairira iwe Anenyasha zvinhu


zvawaita kwandiri kundijairira uku.
Ndakuudza kuti pane zvinhu
zvakakosha zvandanga ndichifanirwa
kuita asi iwewe nekuti ndinokuda
ndasiya zvose izvi ndikauya kwauri
ndikaita zvaunoda iwe"

"Neniwo ndinokuda Tafadzwa


ndosaka ndakuunza pano"
"F*ck Anenyasha!!!!!!" Tafadzwa
akadaro achirova steering
ndakavhunduka

"Ndambokukumbira here ini kuti


undiunze kuvaroyi ava" Tafadzwa
akadaro
"Hazvisirizvo Tafadzwa"

"Ndiani ati sezvo ndisinga shandi


ndinoda zvose izvi Anenyasha?"
Tafadzwa akabvunza nehasha
"Please babe ndokumbira sezvo
tatosvika upinde mukati"

"Tiri kudzokera kumashure manje"

"Tafadzwa please ndokumbira


usadaro"

Tafadzwa haana kundipindura


akadzokera kumashure

"Please Tafadzwa tafamba kudai


todzokera tisina zvataita here?"
"Wakadhakwa iwe musoro wako
haushandi mushe"

"Wave kundituka kaa apa"


"Ndati wakadhakwa!!! musoro wako
uyu haushande mushe!!!. Unga
ndibvisa kumusha ndikasiya zvinhu
zvose zvandanga ndichida kuita
uchindiunzira zvekupenga izvi"
Tafadzwa akadaro nehasha

Ndakamubata ruoko. "Ndokumbira


usadaro Zvayi please"
"Ndisiye mhani iwe ndichaire"

"Tasvika Tafadzwa ndokumbira


tipinde mukati please itira ini hako"
Tafadzwa akamutsa mota neimwe
speed. Oooh Mwari wangu tafamba
kudai here tichifambira mahara

"Tafadzwa please"
Tafadzwa haana kundipindura kana
kunditarisa

"Babe please ndokumbira usadaro


ndinoziva kuti ndanga ndisingafanirwi
kuzviita nenzira yakadai asi sezvo
tatosvika ndokumbira kuti tisvike
please babe dzora moyo. Zvinhu izvi
zvicha benifita iwe"
"Anenyashadzashe usada
kunondibhowa wazofarisa
ukadarikidza apa"

"Ndafarisa Tafadzwa ndafarisa


zvekufarisa zvakupinda papi apa
Tafadzwa?"
"Haungazvioni nekuti iwe unopenga
musoro wako uyu wakazara mvura
mvura nazvino handizivi believe kuti
wandiunzira zvinhu zvekumama
kudai. Kuuya kufilabus kuita kunge
ndichapondwa nematombo
nemagweja nekuda kwezvinhu
zvisina Basa. Ayy uno ndicontroller
shuwa mwanasikana I'm sure kuti
wafara uri kuzvirova dundundu kuti
uri chimhamha kana iwewe ukataura
ndinojamba jamba"
"Usataura uchidaro Tafadzwa hakusi
kuku controller asi ndanga
ndichiedzawo kukubatsira"

"Shut up!! shut up!! wambonzwa


ndichiti ndinoda rubatsiro rwako here
Ini" Tafadzwa akadaro nezwi riri
pamusoro

"Usandituka zve Tafadzwa"

"Unoda ndikuitei unoda ndikukise


ndikutende kuti wandiunza kun'anga
ndizvo zvaunoda Anenyasha"
Tafadzwa akadaro nehasha
Ndakanyarara ndikaramba
ndichitaura naye anga pedzisira ati
beura nenzira yaari kumhanya nayo.

"Chaira zvakanaka Tafadzwa"


"Wave kundi controller chero
nemumota manje why usingauyi iwe
kuzochaira kana uchiona kuti
handigone kuchaira"

"Wakambondiona chero zuva rimwe


chete ndichichaira here,
usakanganwa kuti hausi wega
mumota pane mumwe mweya"

Tafadzwa haana kundipindura asi


akatowedzera speed kudarika
pekutanga. Ndakamutarisa
ndichidzungudza musoro, ndiye
murume uyu wandakati ndinoda
kurarama naye kwehupenyu hwose
ndakanyarara ndichitarisa mberi asi
ndaimuona kuti anoda kutaura.
Asi ndaneta manje ngaatarise
kumberi ndanga ndichifunga kuti
zvinhu zvose izvi zvinomufadza. Ini
ndanga ndichiitira kubatsira iye asi
iye musoro wake wakaoma anofunga
kuti anoziva zvose.

"Wave kuroya manje iwe?"


"What?"

"Ndati wave kuroya here? Unoizivira


kupi n'anga inogara nechidhoma
chinoonekwa nemunhu wesemasikati
machena"
"Handinga kupindure mubvunzo
wako nekuti hatina kumbopinda
mukati"

"Ndiri kutaura newe, unoziva


ndaitaura chokwadi pandakati
wakandidyisa"
Ndakamutarisa nekushamisika.
"Wave kundipengera Tafadzwa haaa
chiiko newe"

"Inzwa kuti uri kutaura neni sei"


Tafadzwa akadaro achidzungudza
musoro
Takafamba kwenguva yakareba
ndave kunzwa kuti ndava nenzara
manje ko handiti kubva makuseni
hapana chandadya. Takafamba
nzvimbo yakareba pasina mashop,
ndakaona tave kupinda mune imwe
nzvimbo yaiita kunge town
"Ndave nenzara ini ndoda kunotenga
chikafu"

Akanyarara hake mukomana


wekwaZvayi

"Tafadzwa ndokumbira umise mota


ndoda kunotenga chikafu"
Tafadzwa akamisa achindipa mari

"Thanks ndinayo yangu mari"


ndakadaro ndichibuda naiyewo
akabuda
Ndakapinda mumashop ndikatenga
one piece yechicken nemachips
hazvidhure hazvo asi ndinokwanisa
kuzvi afforda. Ndakamuona
achipinda mukati achitenga full
chicken ndakadarika ndichienda kune
imwe shop ndichitenga chingwa
nedrink ndichinopinda mumota
ndakamumirira kwenguva yakati
rebei asati auya
"Eish kufamba nemota dzevanhu
zvinonetsa Dai ndine yangu dai
ndavakutoenda"

Ndakavhura chikafu changu


ndichitanga kudya ndakamuona
achibudikira akabata doro, hapana
chimwe chinhu chaanoziva kunze
kwedoro chete. Akabva apinda
mukati achindipa plastic mukati
maiva neburger nezvimwewo
zvakadaro daro asi ini handisi
interested muzvinhu zvake

"Tora chikafu"

"Ndatenga ini chikafu changu nei


usina kundibvunza usati watenga"

"Wakatanga rinhi kudya one piece


chicken and chips?"

"Ndinodya ini zvinhu zvando afforda"


"Saka wandiunzira kuno
kuzondipengera?"

Handina kumupindura.
"Handina kutenga chikafu ichi kuti
uite movie nacho" Tafadzwa akadaro
achindiswededza paari achindipa
plastic achivhura 1 can yedoro
achirara pachituru

"Hatichaendi manje?"
"Handiti uchiri kudya here"

"I don't mind kudya tichifamba. Now


ndinoshuvira kuti dai ndiri kumba"

"Hazvingaitiki nekuda kwako kana


uchida kukurumidza kusvika kumba
kwenyu rank iri pedo apo
ndichakuendesa"

Ndakamutarisa handina kumupindura


ndakatanga kudya chikafu ndapedza
ndakamwa drink yangu achibva
amutsa mota handina kumboguta ini
handina kujaira kudya chikafu ichi
better kudya burger asi chikafu chake
handichidye Tafadzwa aingonditarisa.
"Saka haudyi chikafu chandatenga?"

"Ndakuudza kuti ndazvitengera


chikafu changu ndakuguta manje"
"Saka ucharamba uchingondiitira
nharo unoziva ndanga ndakarara
pamubhedha wangu kumba iwe
ukandimutsa"

Ndakaridza tsamwa. "Saka


ucharamba uchingondifungidza
izvozvo kusvika rinhi?"
"Unofunga kuti mota iyi inofamba
nemvura here zvekuti unongoti
ngatiende zvobva zvadaro apo tiri
kuenda kuvaroyi"

Nxaa munoziva vamwe vanhu so


zvakavaomera. Ndakabuditsa foni
yangu ndichipinda paeco cash
ndichimusendera mari. Apo yaitova
imari yangu yekupedzisira. Akatarisa
foni yake achibva anditarisa
"Chii manje ichi?"

"Tora mari yako unotenga petrol yauri


kungondiverengera nayo wobva
wamisa mota yako ndichakwira
kombi"
"Anenyasha usandiitira hubenzi ini
ndiri pano nekuda kwako" Tafadzwa
akadaro nehasha achitora foni yake
achidzosera mari yangu

"Ndati misa mota iyi Tafadzwa


ndinoda kuburuka"
"Usandimamira ini"

"Tafadzwa!!!!!" ndakadaro nehasha


ndichitora plastic yanga iri pedo naye
ndichiikandira panze nepawindow
Tafadzwa akanditarisa
achishamisika achibva amisa mota
ndakabuda naiyewo achibva abuda
achinditevera

"Iwe unopenga chete unoziva here


kuti chikafu ichi ndachitenga handina
kuchinhonga"
"Handina basa nazvo"

"Ndachitenga nemari nhonga chikafu


ichi udye"
"Handidi"

"Uri benzi iwe"

"Ini ndiri benzi Tafadzwa?"


Haana kupindura. "Newewo uri benzi"

"Uri kutaura neni here Anenyasha?"


"Ndiri kureva iwe Tafadzwa Zvayi
unoda ani aite benzi ani asaita benzi.
Ndati enda nemota yako
yandisingazivi kuti wakaitenga nei
nekuti haushandi"

Tafadzwa akapupuma furo nehasha.


"What?"
"Ndati enda nemota yako
yehugeven'a"

Ndakamunzwa achiridza tsamwa


achibva apinda mumota achimutsa
mota achienda achiimhanyisa kunge
ndiye ega Ari panyika. ndakaitarisa
kusvika isisaonekwe. Ndakatanga
kufamba apa paiva pasina kana mota
imwe zvayo apo ndaiva ndave
musango Paiva pasina kana musha
kana mushop.

*MUNYA*

Tave muroad kuenda manje kugomo


asi Tafadzwa haasati asvika
ndakaedza kumufonera asi haana
kudaira foni. Ndichiri kumufonera
kudaro Jay akapinda

"Jayden"

"Baba"
"Vari kupi bamunini vako Tafadzwa?"

"Handizivi"

"Hauzivi sei iwe warara naye hanty


manga muchitaura nyaya"
"Saka munoda ndikuudzei zvinhu
zvatinotaura nasuperstar handizivi
kuti vari kupi"

"Nzira yauri kutaura neni nayo haisi


right Jayden"
Akandivhurira maziso.
"Ndiri kutaura newe Jay"

Akatendeuka achibuda.
Ndakamubata ndichitora bhandi
pawardrope ndichimuzvambura naro
akanyarara haana kumbochema
akangonditarisa
"Unodherera iwe" ndakadaro
ndichimurova kusvika achema

"Mbuya!!! mbuya!!" Jay akadaro


achichema
"Unodherera iwe hausi kurohwa na
mai vako vaikuregerera too much"

"Mai vangu vanopinda pai nei


musingaiti zvinhu zvenyu musingaisi
mhamha mukati handiti
makavadzinga nekuti maisavada
pedo nemwi saka munotaurirei
nezvavo ivo vasipo" Jay akadaro
nehasha

"Munyaradzi uri kuitei mwana?"


Mhamha vakabvunza

"Anodherera uyu mhamha"


"Wanga uchifanirwa kutaura naye
mwana kwete kuita zvauri kuita"
mhamha vakadaro

Mhamha vakamutora ndichibva


ndagara pamubhedha ndakaona
Popo akamira padoor misodzi
ichiyerera

"Princess"

Popo akapinda mukati. "Muri


kuroverei mukoma wangu?"
"I'm sorry princess asi mukoma wako
anodherera"

"Ndinoda kuenda kuna mhamha ini"


Popo akadaro achibuda mumba
achimhanya
Ndakasara ndichibata musoro
zvichakadaro Ticha akapinda

"And then?" Ticha akabvunza


"Eish musoro wangu
wakangosangana"

"Uchisanganiswa nei?"

"Munhu wese ari pamusha pano ari


kusanganisa musoro wangu"
"Wave kusvuta mbanje here?"

"Nxaaa unopenga iwe"


"Saka unoda nditi kudii?Nazvino
mupfanha uyu haasati asvika here,
chero ndichimufonera haadari foni
yangu"

"Ndinoda kuziva kuti chii chiri kuitika


mumusoro nemukomana uyu, baba
vatiudza zvakanaka kuti tinofanirwa
kuva pamwe chete iye ndipo
paanobuda hake"
"Tafadzwa anoshota tsvimbo chete
anoda kumborohwa"

Ethan akapinda. "Baba vari kutidana,


vati tave kufanirwa kuenda" Ethan
akadaro
"Newewo hausati wamuona
Tafadzwa?"

"Ndikare ndichiedza kumufonera asi


haadairi foni" Ethan akadaro
Ndakadzungudza musoro tichienda
kuna baba

"Ari kupi Tafadzwa?" Baba


vakabvunza
"Tafadzwa baba kubva zvakwaedza
hatisati tamuona hatizivi kuti ari kupi
chero tichimufonera haadairi foni"

"Mukomana uyu anoita madiro


pamusha pano ndinofanirwa
kumuratidza kuti ndini ndiri kutonga
pamusha pano kwete iye" baba
vakadaro
Takanyarara tose

"Imota yake iyi ndofanirwa kuita plan


nayo"

Takatarisana tose
*Mpume*

Musoro wangu uri kudhuma chaiko


handizivi kuti Bridget chii naye asi
anenge ane zvinhu zviri kumunetsa.
Ndaiva ndakagara muroom mangu
mhamha vachibva vapinda
"Ari kupi Bridget nekuti haamo
muroom make uye ndamutsvaga
imba yose handisi kumuwana?"
Mhamha vakabvunza

"Ndamuguma ari muroom make"


ndakatora foni ndichimufonera
"Sisi" Bridget akadaro

"Uri kupi?"
"Ndiri kunosangana naTaffy"

Ndakashamisika. "naTafadzwa ko sei


usina kutiudza?"

"I'm sorry sisi, chete andifonera achiti


ndiuye manje"

"Okay" ndakadaro ndichikata foni


yangu

"Mhamha ati ari kunoona


naTafadzwa"
"Okay zviri nani kana ari safe"
mhamha vakadaro vachibuda
vachienda

Ndakarara pamubhedha ndichifunga


nyaya yaBridget ane zvinhu zviri
kumunetsa chete mazuva ano. Haisi
nyaya ye nhumbu asi zvihombe
zvaakavharira.

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/Lt6MlwL
G8mrFnvYmBZ1RtL
*From chapter 1pindai umu ȯǤȯǤ
ȯǤ*

*ANENYASHA*

*Written by Makalulue*
*Edited by Ellena*

*Chapter 26*
*Anenyasha*

Ndaiva ndaneta nekufamba


ndakamira ndichitarisa nzvimbo yose
ndichiti pamwe panga budikira mota
apa ndaiva ndazara kutya nzvimbo
yacho handiizivi kaa apa hapana kana
musha kana mashop zvawo.
Ndakapererwa ndikagara pasi
ndakaona mota yaTafadwa
ichibudikira ndakabva ndaenda
kuside kwayaifambira akasvika
achimisa mota mberi kwangu asina
zvaakataura.

Neniwo ndakaona kuti ndofanirwa


kupinda mukati ndapinda akamutsa
mota hamenho kuti aienda kupi.
Takafamba mahour maviri
tisingasviki kwataienda zvichakadaro
foni yake yakarira akaidaira achiisa
paloudspeaker sezvo aichaira
"Bro uri kupiko ndikare tichikufonera
usingadairi" Ethan akadaro

"Ndiri munzira kuuya kumba asi


handisi shuwa kuti ndichasvika
kumba nguvai pamwe manheru
nekuti ndichiri kure manje"
"Ko uri kupiko unoziva baba vari
kukutsvaga kuno and this time vari
kupupuma nehasha vati hauvatereri
kana vachitaura sezvo vatiudza
tisaenda"

"Ndichasvika ikoko"
"Unoziva vambotaura nemota yako
vati pane zvinhu zvavachaita mota
neniwo handizivi kuti chii asi
unofanirwa kungwarira"

"Okay thanks ndichasvika manje"


Tafadzwa akadaro achikata foni yake
achinditarisa neziso rairwadza
ndakatarisa pasi

Akachaira nguva yakareba


ndakazotura befu patakasvika
kumaraini ekwedu. Akasvika pane
liquor shop achibva amisa mota
achibuda akadzoka be case ye heiken
achiisa kuboot yemota achibva auya
mberi. Just imagine kubva kufilabus
kwese uko pasina ari kutaura
neumwe.
Takasvika kumba kwedu akamisa
mota ndakaburuka ndisina
kumbotaura naye naiyewo akamutsa
mota achienda. Ndakapinda mumba
ndikawana Paida achiona TV baba
vasipo

"You're back"
Ndakazvikandira pasofa.

"Mafamba sei?"
"Tafambira mahara"

"Chii chakaitika?"

"Tafadzwa aramba kupinda


kwaShumba"
Akashamisika. Ndichibva ndamuudza
nyaya yose.

"I'm sorry sisi neniwo ndanga


ndisingazivi kuti zvinhu zvichazodai"
Paida akadaro
"Yooh Paida wanga uchiti uri
kubatsira asi hazvina kuzofamba
nenzira yatinoda so don't stress.
Chete Tafadzwa musoro wake
wakaoma pane munhu anga dzokera
pagedhi here atosvika kwaanga
achienda"

"Yaaah pakaipa"
"Ini handifungi kuti ndichadanana
nemukomana akafanana
naTafadzwa kwehupenyu hwangu
hwose. Munhu asinga ndirespect
segirlfriend yake anga achindituka
kunge ndisina kukwana asara padiki
kuti andirove"
"Usataura uchidaro sisi"

"Next time achandirova hayi


ngaaroore hake Bridget wake pamwe
vachanzwisisana nekuti ini zviri
pachena kuti handinga understand
zvinhu zvake"
"Ndokumbira usataura uchidaro
unomuda iwe Tafadzwa"

"Handinga kwanisi kudanana


nemupengo ini, ndinoda kunorara
ndakaneta ndimbozorora zvishoma"
ndakadaro ndichienda muroom
mangu
Ndakakurura mbatya ndichibva
ndapinda mumagumbezi. Handizivi
kuti ndinzwe sei nezvinhu zvaitwa
naTafadzwa Ndanga ndichiti ndiri
kumubatsira asi iye ayy andiona
semupengo anoda kumucontroller.

*TAFADZWA*
Ndakasvika kumba ndakamisa mota
yangu pagedhi ndichingopinda chete
mhamha vaiva vatomira padoor

"Asi Tafadzwa mwanangu kusvika


rinhi uchindiita kuti ndigare
ndichitaura?"
"Mhamha ndaitei manje?"

"Hauzivi kuti waitei, baba vako vati


kudii kwamuri?"
"I'm sorry mhamha asi pane zvinhu
zvangobudikira ndanga ndichifanirwa
kuenda"

"Zvango budikira zvakakosha


kudarika zvababa vako here?"
"Ayewa mhamha ndanga
ndichifungira kuti ndicha kurumidza
kudzoka"

"Saka uchaita sei nekuti baba vako


vari kupupuma nehasha"

"Ndichataura navo"
"Uchataura navo uchiti kudii
Tafadzwa?"

Zvichakadaro Jay akabudikira


achindimhanyira achindihaga,
ndakamubata ruoko tichienda
"Champion"

"Superstar yooh I miss you kana


usipo pamba pano panobhowa"
"Sorry nekukusiya asi ndauya manje"

"Yaah" Jay akadaro tichienda


muroom mangu

"Eish uri kundidzimbira mhani


superstar"

"Chii manje?"

"Ndarohwa nababa"
"Hezvo hanzi waitei?"

"Vanga vachindibvunza kuti muri kupi


ndikati handizivi vakati ini nemwi
tinotaura nyaya saka ndinofanirwa
kuziva"
"Ave kupenga here Munya? I'm sorry
my Champ ndichataura naye kana
auya"

"Okay"
Ndakagara pamubhedha.

"Chii uri right?" Jay akabvunza

"Ayewa"
"Chii manje?"

Ndakamuudza nyaya yose


akashamisika
"Saka imi madzokera pagedhi pasina
zvamaita?"

"Anga achindipengera Anenyasha, ini


kupinda pan'anga dai wamuona
mukomana ane mateya anofamba
achidonha handitaure nevanhu
vakadaro ini. Chidhoma chiya"
"Pamwe akakutsamwira Superstar
wadii kumufonera"

"Ayewa handimufoneri achandifonera


iye kana achida"
"Superstar ndanzwa baba vachitaura
nana bamunini"

"Vanga vachiti kudii?"

"Baba vanga vachiti Anenyasha


vachiri kumuda"
Ndakavhura maziso. "What?"

"Handina kunzwa zvose asi vanga


vachitaura nezva Anenyasha"
"Ummm okay thanks"

"Sekuru vati vachakuratidza kuti


ndiani musoro wemusha uno vati
pane zvinhu zvavanoda kuita mota
yako"
Ndakanyarara ndichibva ndamuhaga.

"Ndokuda wanzwa.

"Kana nemiwo ndokudai"


Takagara kwemaminutes ndichibva
ndamutorera machocolate mumota
ndichiuya nawo. Kuma5 ndakaona
mota ichipinda pamba vaiva ana
baba vaisvika. Pavakasvika Munya
akauya muroom mangu

"Jay imbotisiya zvishoma" Munya


akadaro
Jay akanditarisa ndakabvuma
nemusoro achibva abuda.
Paakangobuda ndakanzwa
nemambama padama ari Munya
aindirova

"Chiiko newe Munya?"


"Nei usinga teereri iwe mupfanha?"

"Chii chandisi ngateereri kwauri?"


"Wavanzwa baba kuti vati kudii
nezuro"

"Saka iwe uri baba here? kuti unga


ngosvika nekundirova just like that.
Sei uchitora maproblems ako
uchimabisira pavanhu, saka mwana
wanga uchimuroverei?"
"Jay mwana wangu saka ndini
ndinoziva kuti ndezvipi zviri right
kwaari and ndinoziva kuti ndoda
kumukurisa sei"

Handina kumupindura

"Baba vari kukudana"


Ndakasimuka ndichienda kwavari
ndakasvika ndichigara pasi handina
zvandakataura ndakanzwa
nemambama kumeso kwangu

"Wave murume pamusha pano


handiti"
Handina kuvapindura vakatora
chamboko chavo vachibva vatanga
kundirova nacho.

"Taura wave murume pamusha pano


saka nei usingabudi unogara
pamusha pako nekuti iwe unoda
kutonga"

"Ndiregerereiwo baba"

Baba vakandirova zvakanyanya,


zvichakadaro ndakaona Munya
achitora chake chamboko
"Kurura hembe iyi yawakapfeka"
Ticha akadaro

Handina kuikurura
"Tafadzwa ndati kurura hembe iyi!!!"
baba vakadaro nehasha

"Haanga kunzwei uyu baba" Ticha


akadaro achindi dhonza nehembe
kusvika yabvaruka
Ndakanyarara ndakangovatarisa
naiyevo Ticha akanditarisa

"Ethan huya netambo" Ticha akadaro


achideedzera

"Handisi kuiwana ini" Ethan akadaro


"Ndinoziva kuti aiviga" Ticha akadaro

Vakatanga kundirova vari vatatu


"Iwe mupfanha hauchateereri kubva
zvawakaenda kuHarare" baba
vakadaro vachindirova

Vakandirova zvekuti ndakapedzisira


ndave kuscreamer ndakaona
mhamha vakamira padoor.
"Ayehwa Zvayi zvakwana manje,
Munya Ticha zvakwana manje"
mhamha vakadaro

Ndakaona baba vachitora matches


ndakavhunduka zvakanyanya
vakabva vabuda mumba
ndakavatevera.
"Baba muri kunoitei?" Ndakabvunza

"Ari kupi makey emota?"

"No no no baba ndokumbira


musadaro"

"Ndati ari kupi makey emota?" Baba


vakabvunza nehasha

Munya akabudikira mberi


"Ndinawo" Munya akadaro

"Buditsa mota iyi pedo nemusha


wangu"
Munya akapinda mumota achibva
aibuditsa akanoimisa kure nemusha
wababa

"Ndatadza baba ndokumbira musaita


chinhu pamota yangu" ndakadaro

"Zvayi ndokumbira usadaro regerera


mwana" Mamoyo vakadaro

"Shuwa mwana ati haachazviiti


usaguma mota yake" mhamha
vakadaro

"Mota iyi ndiyo ino mupengesa iyi"


baba vakadaro vachidzokera mumba
Pandaida kutorera Munya makey kuti
nditize nemota asi Munya akaramba
nemakey

"Hunza makey angu iwe"


Baba vakauya ne5 litres yepetrol
vakapinda mumota vakabisa zvinhu
zvaiva mukati

"Hona doro riri kumwiwa mumota"


baba vakadaro
"Baba please ndokumbira musadaro
musapisa mota yangu"

"Baba pavaidira petrol ndakanzwa


misodzi ichizara kumeso kwangu
vakatanga kubatidza matches mukati
mangu ndakanzwa moyo wangu
uchiita kunge uri kubaiwa netsono
"Baba" ndakadaro misodzi ichiyerera

"Zvayi" mhamha vakadaro


Mota yangu yakatsva ndakatarisa
ndakagara pasi ndave kugaya horror
chaiyo. Ndakaitarisa mota ichitsva
kusvika yapera, handifi ndakanganwa
nezvinhu zvavandiita izvi

*ANENYASHA*
Ndiri kuedza kurara asi hope
hadzibati ndakatarisa foni yangu asi
ndaitamba nenguva nekuti Tafadzwa
aiva asina kundifonera. Ndakagara
kudaro ndakanzwa munhu aigogodza
ndakavhunduka zvese
nekushamisika pandakaona ari Jay
mwana waMunya

"Hey"
Ndakaona kumeso kwake kwakazara
misodzi uye aifemera mudenga
zvekuti anga achimhanya

"Boy chii wasvika nani pano?"


"Ndega"

"Chii?"

"Bamunini Tafadzwa"
Ndakavhunduka. "Vaitei bamunini
Tafadzwa?"

"Baba nasekuru vavarova vachibva


vap......"
Zvichakadaro Jay asati apedza
kutaura ndakanzwa munhu
aiscreamer achipinda mumba aiva
Paida

"Anenyasha buda!!! panze uone!!!"


Paida akadaro
Takabva tabuda naJay pandakatarisa
kumba kwana Tafadzwa ndakaona
hutsi hwaiva hwakasviba ndakaona
kuti pane zvinhu zviri kutsva

"Chii manje?"
"ndiTafadzwa"

"Aitei manje Tafadzwa?"


ndakabvunza misodzi yave kuyerera

"Vavarova bamunini vachibva vapisa


mota yavo" Jay akadaro

"What?" Ndakabvunza nekushamisika

"Ehe neniwo ndazvinzwa kurwizi baba


vaTafadzwa vapisa mota yake" Paida
akadaro
Ndakavhunduka ndichibata muromo
wangu. Ndakatanga kufunga
Tafadzwa paafonerwa naEthan

"Aaah asi vaitirei zvinhu zvakadaro


kuna Tafadzwa?" ndakabvunza
ndakatarisa Jay
"Tafadzwa ari kupi?"

"Ndavasiya kumba vachiona mota


yavo ichitsva"
Moyo wangu wakarwadza ndini wese
ndakakonzera zvese izvi. Dai
ndamusiya Tafadzwa paati ane
zvinhu zvakakosha zvaanofanirwa
kuita mota yaTafadzwa yatsva
nekuda kwangu achinditarisa sei
manje

Ipapo misodzi yakatanga kuyerera


pandiri ndichifunga pain ina
Tafadzwa manje

"Hande" ndakadaro kuna Jay

"Unoziva Ane hazviiti kuti uendeko"


Paida akadaro
"Handipindi mukati" ndakadaro
ndichidhonza Jay tichienda ko

Ndakawana pazara vanhu ndakamira


kumashure kweumwe muti. Moyo
wangu wakarwadza zvakanyanya
pandakaona Tafadzwa akagwadama
pedo nemota yake akaitarisa ichitsva.
Ndakanzwa munhu aindipukuta
misodzi

"Mainini musachema"

"Nei vasvika pakupisa mota


yaTafadzwa nekuti vanga vamurova
already ko kuzopisa mota chii?"

Jay akanditarisa. "Sekuru vapisa


mota va nani?"

"Vatanga nekuvarova sekuru, baba


nabamunini Ticha, mota yapiswa
nasekuru asi baba vanga
vachivabatsira"

"Okay ndinotenda ndokumbira uende


kumba usaudza munhu kuti ndanga
ndiri pano"

"Okay ndichaudza Superstar chete"


Jay akadaro achienda kuna
Tafadzwa

Akasvika achimira pedo naTafadzwa


achimubhabhadzira. Ndakaitarisa
mota yaTafadzwa ichitsva kusvika
yasara yava black. Apa mota yanga
yakanaka sei ichiyemurwa nemunhu
wese. Mota iyi inodhura shuwa
vongoipisa just like that
Ndakaona Tafadzwa achisimuka
achipinda mumba ndakaona
madzikoma ake akamira achiona
mota ya Taffy. Nei vaita zvinhu
zvinorwadza kudai munhu wese aiva
ave kuenda neniwo ndakaenda
kumba ndakasvika muroom mangu
ndikagara pedo nemubhedha
ndikatanga kuchema. I can't imagine
marwadzo anaTafadzwa
I think zvinhu zvose zvaitika nekuda
kwangu zvichakadaro Paida akapinda
achindihaga

"I'm sorry sisi"


"Nei vaita zvinhu zvinorwadza kudai?"

"Zvinhu zvose izvi zvaitika nekuda


kwangu dai ndisina kukupa advice
yekuti uende kufilabusi dai zvese izvi
zvisipo dai mota yaTafadzwa
ichiripo"
"Ndokumbira usazvishora newewo
wanga uchiti uri kundibatsira zvinhu
zvaitika izvi inguva chete"

Paida akandihaga

"I'm sorry sisi"


"Okay ndokumbirawo kuva ndega
manje"

Paida akabvuma achibva abuda


ndakatora foni yangu ndichiedza
kufonera Tafadzwa asi haana kudaira
ndakaramba ndichiedza asi aiva
asingadairi. Zviri pachena kuti
akanditsamwira uye haafe
akandiregerera

*TAFADZWA*

Ndakagara muroom mangu pedo


nemubhedha ndiri kufunga kure
chaiko ndiri kuinzwa mota yangu iri
kunhuwa panze. Chiiko
chandanyanya kutadza chingaita kuti
vapise mota yangu zviri pachena kuti
zvinhu zvavagara vachida kuita. Pane
munhu angaita zvinhu zvakadaro
here kumwana wake here, mota
yangu iyi iri so expensive nei vaita
zvinhu zvakadaro

Ndinombozvibvunza ini kuti ndiri


wepamusha pano here? Handifungi
kudaro I think ndiri wemusango
ndakazongopinzwa pano ne mistake
nekuti hapana munhu angaita zvinhu
zvakadaro kuropa rake. Ndakaedza
kudzora misodzi asi yaiva isinga
dzoreke

Nefoni yangu yaiva busy ichirira. Aiva


Anenyasha handizivi kuti ari kudei
uyu nekuti ndiye honzeri yekuti mota
yangu itsve. Ndakabva ndadzima foni
yangu handidi kutaura nemunhu
manje handisi right manje. Mota
yangu iyi yakadhura uye ndanga
ndichiida zvakanyanya asi zvose izvi
zvanyangarika ndakaona Jay akamira
padoor achibva apinda achiswedera
pandiri

"I'm sorry Superstar"


Ndakamutarisa ndichiedza
kunyemwerera asi ndakatadza
handisati ndambova mumarwadzo
akadai apo vandirova asi marwadzo
ekurohwa handisi kuanzwa,
marwadzo andiri kunzwa ndeemota
yangu.

"Superstar"
"Musachema tichatenga imwe mota
okay"

Ndakanyemwerera. "Okay its fine


Champion"
"Nei vapisa mota yenyu bamunini?"

"Zvichadarika Champion ndokumbira


uende muroom mako ndoda kuva
ndega manje"
"Okay bamunini" Jay akadaro
achisimuka achienda

Paakangobuda ndakasara
ndichikwira pamubhedha
ndichichema ndakaedza kurara asi
hope dzakaramba kubata.
Pandakasimudza musoro ndakaona
mhamha vakamira padoor
vakanditarisa nemaziso aiva akazara
misodzi ndakavatarisa vachibva
vauya kwandiri.

"Mhamha ndokumbira mundiudze


chokwadi" ndakadaro ndichichema

"Ndiudzei chokwadi chekuti handisi


wepamusha pano"
"Unorevei manje?"

"Zvayi ndibaba vangu here uye Munya


ibrother yangu here?"
"Mwanangu zvichadarika ndiregerere
ndatadza kukudzivirira"

"Ndipindurei mhamha, Zvayi ndibaba


vangu here?"
"Usatsvaga zvinhu zvakavanzika
unga zorwadziwa kudarika ipapo"
. Inguva chete mwanangu
zvichapfuura"

"Vaipisirei mota yangu? mhamha


vanoziva here kuti mota iyi yakadhura
sei zvavangoipisa just like that"
"Ndiri kurwadziwa newe mwanangu
im sorry"

"Ndichabva pamusha pano


handidzoki zve ndichauya pano
ndave chitunha"
Mhamha vakanditarisa vachivhura
maziso

"Mwanangu usataura uchidaro uye


usataura nezvekufa ndiudze kuti uri
kutamba kuti haudzoki zvepamusha
pano"
"Handisi kutamba mhamha
vandiratidza kuti ini handisi
wepamusha pano havana basa neni"

"Ini ndine basa newe mwanangu


ndokumbira usandisiya"
"Kana muchindida muchaenda neni"

"Unoziva kuti izvi hazvingaitiki"

"Okay sezvo muchiteerera murume


wenyu ndikangopedza zvinhu
zvandinoda kuita pano ndiri
kudzokera kuHarare"
"Ndinokuda Tafadzwa haungandisiyi
zvakadaro"

"Mhamha ndaneta ndinoda kuzorora"


"Ndokumbira usaenda mwanangu"

"Handingaendi manje"

Mhamha vakandihaga vachibva


vabuda ndakasara ndichitora
mapiritsi ekurara nekuti ndaiva
ndisingadi kufunga zvakanyanya
ndichibva ndarara.

*Mpumelelo*

Ndaitenderera imba yose


ndakamirira Bridget asi aiva
asingauyi.aenda masikati achiti Ari
kunosangana na Tafadzwa manje
foni yake haichapindi. Ndakaedza
Tafadzwa asi foni yake yaiva
isingapindi. Pandakafonera Munya
haana kuidaira

Dai achiziva kuti handidi chinhu paari,


coz I know Ari kundi ignowa
achifunga kuti ndichamunyengerera
kuti tidzokerane.ndakaramba
ndichingozama number ya Bridget asi
yaiva isingapindi. Zvichakadaro
mhamha vakapinda
"Uri kumuwana mwana here?"

"Aewa mhamha chero Tafadzwa foni


yake haipindi"

"Eyy mwana uyu achandiuraya ne BP"


"Ndicharamba ndichimuzama
mhamha"

Zvichakadaro takaona mota


yemapurisa takabuda tichiendako
"Sayijeni" mhamha vakadaro

"Ndipo panogara Bridget Sithole here


pano?" Mupurisa akabvunza

"Ehe aitei manje Bridget?"


"Ohh I'm sorry mhamha kutaura izvi
Bridget awanikwa musango ,
apfurwa"

Takavhunduka na mhamha
tichitarisana. Ndakaona mhamha
vachibata chipfuva

"Sayijeni chii chaitika?" Ndakabvunza


"Ari kupi manje?" Mhamha
vakabvunza

"Tatadza kumuendesa ku mochari


pasina family yake"

Ndakanzwa muviri wangu uchidedera


"Mochari sayijeni? Uri kuti kudiiko?"
Mhamha vakabvunza

"Apfurwa akatisiya" sayijeni akadaro

Mhamha vakaridza mhere ini neniwo


musoro waiva wave kudhuma
handizivi kuti ndoti kudii nenyaya iyi?
Nekuti Tafadzwa anga asingadi
kuroora Bridget Saka ndizvo
zvaafunga izvi pa munin'ina wangu.
Manje naiyevo achafira mujeri

*Ndatsva nedata guys ndokumbirawo


chero ye R5 hayo kune vanokwanisa*

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/IaPxzGw
aGkf5zG8xxOXgfY

*From chapter 1 pindai umu*

*ANENYASHA*
*Written by Makalulue*

*Edited by Ellena*

*Chapter 27*
*Anenyasha*

Ndaiva ndakagara pabed


ndichingofunga nezvaTafadzwa apa
foni yake ava aidzima. Ndakasimuka
pamubhedha ndikaona kunze
kwasviba nomatter what ndiri kuenda
kumba kwavo ndiri kunomuona kuti
arisei. Hameno kuti achanditaudza
here ndakaenda kuna Paida

"Uri kuenda kupi?" Paida akabvunza

"Kumba kwana Tafadzwa"


Paida akavhura maziso. "What?"

"Yaaa ndinofanirwa kuona Tafadzwa


nditaure naye handikwanisi kumusiya
achirwadziwa nemarwadzo ese aya"
"Asi uchati wauya kuzodii kana
vakuona?"

"Havambondioni room raTafadzwa


riri rega saka ndichapinda
nepawindow"
"Hayi Anenyasha unoziva zvinhu
zvauri kuita irisk iyi"

"Ndinoziva Paida asi ndinofanirwa


kunoona Tafadzwa"
"Ko baba ndichati kudii?"

"Unovaudza kuti ndaenda kuna


Talent"

"Uchararako kana kuti kudii?"


"It's depend kuti ndafamba sei"

"Ndokumbira uve careful Ane please"

"Okay don't worry" ndakadaro


ndichitendeuka ndichienda kumba
kwana Tafadzwa

Zvagara hakusi kure nekumba kwedu.


Ndakafamba mufambo mudiki
ndichibva ndasvika. Ndasvika
handina kupinda nepagate ndakaona
buri pafence ndichibva ndapinda
neipapo ndichinyahwaira ndichienda
muroom maTafadzwa. Paiva
pakavharwa asi ndaimuona akagara
padivi pemubhedha aionekwa kuti
aifunga zvakanyanya. Ndakagogodza
kaviri pawindow achibva auya
paakandiona akavhunduka achibva
avhura window

"Anenyasha uri kudei pano?"

Misodzi yakayerera pandiri


pandakaona maziso ake akatsvuka
aionekwa kuti aiva achema kwenguva
yakareba

"Ndokumbira undivhurire Tafadzwa"

"Uri kudei pano?"


"Ndauya kwauri, zvose zvaunoda
kutaura uchazvitaura ndave mukati
please Tafadzwa"

Tafadzwa akavhura window


ndichibva ndaedza kupinda naiyevo
akandibatsira kundidhonzera mukati.
Pandakangopinda ndakazvikandira
pachipfuva chake tichihagana
kwenguva yakareba ndichichema
takazoregedzana pava paya

"I'm sorry Tafadzwa ndokumbira


undiregerere zvinhu zvose zvaitika
izvi zvaitika nekuda kwangu dai
ndisina kukutora dai zvisina kuitika"
"Ane mota yangu yatsva uye
haigadzirike"

"Ndinoziva asi ndinokumbira


undiregerere ndanga ndisingadi
kukurwadzisa ndanga ndichiti ndiri
ku......."
Handina kupedza kutaura Tafadzwa
akandiswededza paari achindihaga
so tight achitanga kuchema

"Nei vandiita zvinhu zvakadai


pamusha pano vangabva vapisa
mota yangu here"
"Chirega kuchema Tafadzwa
zvichapfuura" ndakadaro tichihagana

"Ndokumbira usazvishora nezvinhu


zvaitika zvagara mota yangu yanga
ichapiswa"
"Dai ndisina Ku........" Tafadzwa
akandiisa chigumwe chake
pamuromo

"Ndokumbira usataura zvinhu izvozvo


chinhu chandiri kufarira manje
ndechekuti iwe uri pedo neni uri
kundinyaradza ndiri kutenda uye I'm
sorry nezvinhu zvaitika kwataenda
kufilabusi. Ndokumbira usaita zvinhu
zvawaita kwandiri"
"Ndinotenda ndinokuvimbisa handife
ndakaita zvinhu zvandaita babe"

Tafadzwa akandiswededza paari


tichitanga kukisana achibva anditora
achindigadzika pamubhedha
achindikurura mbatya dzandaiva
ndakapfeka. Neniwo ndakamukurura
dzake tichibva tatanga kukisana
tichikisana zvine rudo mukati.

Akandiita romance yose yaunga


fungira. Unoona kana ave kundiita
izvi ndinenge ndave kuda kumupa
humhandara hwangu akandiisa
pamusoro pake neniwo ndikamuita
romance asi handizivi chinhu ini
ndingoita manyama amire nerongo
chete. Ndakapedzisira ndave
kuzvinyarira

"Aaah handigoni ini Tafadzwa"

"Ndichakudzidzisa babe" Tafadzwa


akadaro achindidzidzisa kuti ndinoita
sei
Zvaindinakidza neimwe nzira
takachinjana ini ndikava pasi iye
akava pamusoro akandikisa achibva
abva pamusoro pangu

"ndava ready Taffy"


"Not today babe uchakuvara handisi
pasituation yekuita zvinhu zvakadaro
ndakakuudza kuti nguva iri right
ndeipi"

Ndakanyemwerera tichibva tarara.


"Ndokumbira urare"

"Okay ndataura nababa ndikati


ndicharara kwana Talent"

"Okay ndinotenda nekuva kwako


pano handisi right Ane"

"I love you"

"I love you too babe"


*MPUME*

Mapurisa akatitora akaenda nesu


kwaiva naBridget apo mhamha
vaifamba vachichema nzira yose ini
ndaiva ndisinga zvibelieve kuti
Bridget haasisipo panyika but how?
Ndiani angaita zvinhu zvose izvi
pamunin'ina wangu but ishuwa here
kuti ndiTafadzwa azviita yaaa
definitely ndiye nekuti aisada chinhu
chinomusanganisa naBridget

Takasvika kupolice station ndikasara


padiki kufenda pandakaona Bridget
akarara akavhara maziso apo
ndaiziva kuti haachamuki zve
"Bridget!!!!" ndakadaro ndichichema

"Mwanangu!!!!" mhamha vakadaro


tichichema tose

"Nei vanhu vaita zvinhu zvakadaro


pamunin'ina wangu?"

Takachema namhamha pastation,


now tiri kufanirwa kumuendesa
Kumortuary hapana zvatingaita
zvaitika zvaitika. Tapedza
kunomusiya Kumortuary takaenda
kumba apo mhamha vaiva
vasingatura chinhu vaiva
vangonyarara. I can imagine
marwadzo avari kunzwa nekuda
kwemwana wavo
"Mhamha zvinhu zvose zvichapfuura"

"Asi nei zvinhu zvakadai zvaitika


pamwana wangu?"
"Munhu aita zvinhu izvi achabhadhara
mhamha chiregai kuchema"

Takasvika tikapinda mumba


mapurisa naiwovo vakapinda
"Pane mubvunzo watinofanirwa
kukubvunzai nezvemwana mwana
wenyu" mupurisa akadaro

"Takateerera Sayijeni" ndakadaro


"Bridget abuda pamusha pano achiti
ari kuenda kupi?"

"Haana kutaura kwaarikuenda asi


pandamufonera ati ari kunoona
Tafadzwa" ndakadaro

"Ndiani manje Tafadzwa?" Mupurisa


akabvunza

"Baba vemwana wake"

"Relationship yavo yanga iri sei pakati


pavo?"
"Yanga isiri right Tafadzwa mwana
wamambo saka paanga ane pamuviri
pakabuda sarudzo yekuti
vacharoorana asi Tafadzwa anga
asingazvidi izvozvo. Ndashamisika
neniwo Bridget achiti ari kuenda kuna
Tafadzwa nesu tinoziva vasinga
communicate"
"Saka evidence yose iri kutendeka
baba vemwana ndiye angaita izvi zviri
pachena kuti anoziva chokwadi
chose"

"Asi Tafadzwa angaita zvinhu


zvakadaro sei?" Ndakabvunza
"Unofanirwa kuvapo newewo sasisi
vemushakabvu" mupurisa akadaro

"Okay Sajeni" ndakadaro tichinopinda


mudefender
Tafadzwa chiiko naye anga uraya
munin'ina wangu sei? Kana anga
asingadi kumuroora handiti anga
acharamba here. Unoziva ndichiri
kugara kumba kwavo ndaizviudza
kuti Tafadzwa munhu ari right izvo
ndaizvinyepera. Nei vakomana vekwa
Zvayi vachindiita kudai ndaingotarisa
mudenga ndichidzora misodzi kuti
usabuda

*ANENYASHA*
Taiva takarara pabed naTafadzwa
ndaiva ndakarara pachipfuva chake
tichizuva nyaya zvichakadaro
takanzwa munhu aigogodza
ndakatarisa Tafadzwa

"Ndiani?" Tafadzwa akabvunza


"Ethan"

Ndakatarisa Tafadzwa ndichibva


ndasimuka ndichipfeka pandaida
kuhwanda
"Relax"

"Tafadzwa"
Akaenda kunovhura door Ethan
akashamisika paakandiona
akanditarisa ari confused

"Anenyasha urisei" Ethan akadaro

"Ndiri right" ndakadaro ndichitarisa


pasi nekunyara
"Pane vanhu vari kukuda panze"
Ethan akadaro

"Ndivanani manje?" Tafadzwa


akabvunza
"Mapurisa"

Ndakavhunduka. "Mapurisa ari kudei


pano?" Tafadzwa akabvunza
"Handizivi asi zvina Bridget mukati"
Ethan akadaro

"Tafadzwa I think ndave kufanirwa


kuenda"

"Sari pano ndinodzoka" Tafadzwa


akadaro achibuda
"Handinga kwanisi kusara pano
ndega ini" ndakadaro ndichibuda
newindow ndichinyahwaira
ndichienda kwavaiva vari ndaida
kunzwa nyaya yacho

"Ndiwe Tafadzwa?" Mupurisa


akabvunza

"Ehe ndini" Tafadzwa akadaro

"Unomuziva here Bridget Sithole?"


Mupurisa akabvunza
"Ehe ndinomuziva" Tafadzwa akadaro

"Wakaguma rinhi kumuona?"


Mupurisa akabvunza
"I think ndave nemwedzi mitatu
ndisingamuzivi" Tafadzwa akadaro

"Nhasi wanga uri kupi?" Mupurisa


akabvunza
Ndakashamisika

"Ndakubvunza mubvunzo" Mupurisa


akadaro

"Ndanga ndisipo" Tafadzwa akadaro


"Wanga waenda kupi?" Mupurisa
akabvunza

Tafadzwa akanyarara
"Nei Tafadzwa nei waita zvinhu
zvakadaro kuna Tafadzwa" Mpume
akadaro achichema

"Ndaitei ini?" Tafadzwa akabvunza


"Nei wauraya Bridget?" Mpume
akabvunza

Ndakavhunduka zvakanyanya
naTafadzwa akavhunduka

"Hezvo handina wandauraya ini"


Tafadzwa akadaro
Ndakaona baba vaTafadzwa
vachimutarisa

"Handinga kurambire iwe uri mhondi


yemunhu" mambo vakadaro
"Nei muchidaro baba?" Mupurisa
akabvunza

"Hatizivi kuti anga aripi zuva rose"


mambo vakadaro
"Asi izvo hazvirevi kuti anga aenda
kunouraya munhu" mai Munya
vakadaro

Ndakanzwa moyo wangu uchirwadza


Tafadzwa anga aneni zuva rose
haana kuita zvinhu zvakadaro
"Taura iwe mupfanha wanga uri
kupi?" Munya akadaro

Tafadzwa haana kupindura


"Vakuru vangu mutorei nekuti ndiye
aita izvi imhondi iyi" mambo
vakadaro

"Ayehwa haana kuzviita izvi


Tafadzwa" mai Munya vakadaro
vachichema
"Neniwo ndinozviramba Tafadzwa
haasi mhondi uyu" Ethan akadaro

Mapurisa akamuisa njema. Haa never


handinganyarari kana zvadai
zvichaitika zvichandiwana ikoko
ndakabva pandaiva ndakahwanda
ndichiswedera pavari
"Tafadzwa anga aneni zuva rose"
ndakadaro

Vanhu vose vakashamisika


pavakandiona ndakatsinzina
"Anga aneni Tafadzwa they is no way
yekuti ndiye aita izvi" ndakadaro

Handinga bvumi kuona Tafadzwa


achisungirwa zvinhu zvaasina kuita.
Vanhu vose vakanditarisa
vachishamisika
"Anenyasha uri kudei pano?"

Handina kupindura

"Wanga uchitaura Mandlovu?" mai


Munya vakabvunza
"Tafadzwa kubva makuseni kusvika
manheru anga aneni so I'm sure kuti
haana kuuraya Bridget" ndakadaro

"Asi Bridget ati ari kuenda kuna


Tafadzwa" Mpume akadaro
"Mira iwe mwana wekwaZhou,
Tafadzwa anga anewe kupi
muchiitei?" Mambo vakabvunza

Haaa mubvunzo wamambo


handikwanisi kuvapindura uyu
"Kune kwatanga taenda anga
andiperekedza" ndakadaro

"Hakuna zita here kwamanga


maenda?" Mambo vakabvunza
"Hatina nguva yekutamba mwana
sikana" mupurisa akadaro

"Anenyasha hapana munhu achakuita


chinhu Tafadzwa haana zvaachakuita
usataura zvinhu zvisipo" Munya
akadaro
Ndakavhara maziso. "Handisi
kunyepa Tafadzwa anga
andiperekedza makuseni ndaenda
kufilabusi pane zvinhu zvandanga
ndaenda kunoita" Ndakadaro

"Kufilabusi?" mai Munya vakadaro


"Ehe" ndakadaro

"Nei iwe wakumbira Tafadzwa kuti


akuperekedze nekuti iwe
hauchadanganiswi nechinhu
pamusha pano" mambo vakadaro

Ndakaenda kunaTafadzwa aiva


akanyarara ndinoona nekuti
kunyarara kwake kunokonzerwa
nemarwadzo ekuti family yake haisi
kumu believer kuti haana kuuraya
Bridget. Handizivi kuti ndichatangira
papi zvose izvi ndichavaudza sei kuti
ini naTafadzwa tinodanana

"Zvinhu zvauri kuti udza


ndezvekunyepa tiri kumutora"
mupurisa akadaro achida kumutora
Ndakatanga kuchema. "Tafadzwa
haana kuzviita izvi" ndakadaro

"Unonyepa iwe mwana" mupurisa


akadaro
"Tafadzwa anga andiperekedza
nekuti tinodanana" ndakavhura
maziso ndichizvibara muromo

Oooh gosh ndati kudii shuwa, munhu


wese akavhura maziso achinditarisa
Munya akaswedera pandiri
"How?" Munya akabvunza

Ndakatarisa pasi. "Tinodanana


naTafadzwa" ndakadaro
Ndakanzwa nembama yakasara
padiki kundidonedza pasi vaiva mai
Tafadzwa misodzi yakajenga kumeso
kwangu

"Mhamha" Tafadzwa akadaro


"Watii kudii?" mai Tafadzwa
vakabvunza nehasha

"Anenyasha wati kwaitikei? Mai


Munya vakadaro

"I'm sorry mhamha"ndakadaro


Ndakaona Munyaradzi achidzokera
kumashure achimira kumashure
mbichana ndakatarisa pasi. Asi izvi
hazvinga ndibatsiri chinhu

"VaMupurisa Tafadzwa
ndakamufonera nezuro kuma 9
ndakamukumbira kuti andiperekedza
ndikamumutsa zve kuma5 kuti
agadzirire kuuya. Saka izvi ndiyo
evidence yekuti haana kuzviita I
swear haasi Tafadzwa haasi aita
zvose izvi" ndakadaro ndichivataridza
foni yangu

"Ndokumbira musamuita chinhu


Tafadzwa hamunga musunge
musina evidence" ndakadaro
"Kana asiri iye Tafadzwa ndiani aita
zvinhu izvi?" Mupurisa akabvunza

"Handizivi neniwo endai


munovatsvaga, hamungatore
Tafadzwa musingazivi kuti iye
Bridget anga achitaura chokwadi here
paati ari kuenda kuna Tafadzwa
nekuti ini ndiri kukuudzai kuti anga
aneni saka Bridget anga aenda kuna
Tafadzwa upi" ndakadaro nehasha

"Oooh saka ini ndiri kunyepa here


Bridget andiudza izvozvo inhema
here dzandiri kutaura" Mpume
akadaro
"Sajeni itai basa renyu" mambo
vakadaro

"No Sajeni hamunga musungi


Tafadzwa haana zvaaita" ndakadaro
"Mutorei Sajeni" Munya akadaro

"Munyaradzi" mai Munya vakadaro


vachichema

Mapurisa akatora Tafadzwa


ndakatevera kumashure ndichichema
ndaiva ndisisina basa nefamily yake
kuti iri kufungei ndakatevera asi
vakaisa Tafadzwa mudefender iye
Tafadzwa aiva akanyarara kuti zii
kunge asipo. Mota yakasimuka
ichienda ndakaitarisa kusvika
isisaonekwe pandaida kuenda kumba
kwedu vakandidana vakandipinza
pamuzinda apo nguva dzaiva dzave
kuma7

Ndakagara kwemaminutes then baba


ndakaona vasvika ndofunga vaiva
vadamwa namambo. Baba
vakashamisika vachindiona ndiri
paZvayi

"Anenyasha" baba vakadaro


vachishamisika

"Zhou takudana pano hoyo mwana


wako" mambo vakadaro

Baba vakanditarisa. "Uri kudei pano


Anenyasha?" Baba vakabvunza

Handina kupindura
"Ndoda kunzwa kwauri kuti mutemo
wemwana wako wakamira sei
chaizvo?" Mambo vakabvunza

"Aitei?" Baba vakabvunza


"Ndinotya chero kutaura zvinhu
zvaaita" mai Munya vakadaro

"Anenyasha chii chiri kuitika?" baba


vakabvunza
"Anenyasha uyu ave kudanana
naTafadzwa" Munya akadaro

Ndakaona baba vachivhura maziso


vachinditarisa vachibva vatarisa pasi

"Ayy kwete Anenyasha wangu pamwe


hamuna kunzwa zvakanaka,
Anenyasha vari kutaura nezvei?"
Baba vakabvunza

Misodzi yakayerera pandiri.


"Ndinomuda Tafadzwa baba"
ndakadaro

Baba vakavhura maziso. "Haaa" baba


vakadaro

"Ndiregererei baba" ndakadaro

"Saka iwe wakaita divorce


nemukoma wangu nekuti waida
umwe mukoma wangu. Waiva wauya
pamusha pano kuzoroorwa here kana
kuti kuzogwisanisa vanhu" mai
Munya vakadaro

Ndakanyarara

"Asi Anenyasha wakapindwa nei?"


Mamoyo vakabvunza
Ndaiva ndisingazivi kuti ndoti kudii
ndaingotarisa baba ndichibirira

"Hapana chinhu chatichataura naye


Anenyasha tichataura naye kana
mhondi iyi iri kujeri yauya chiendai
henyu" mambo vakadaro
Ndini ndakatanga kusimuka
ndichibuda gedhi ndakaona maziso
ababa akazara misodzi ndaitya chero
kupinda mumota yavo asi hapana
zvandingaita ndakapinda mukati
vakaimutsa tichienda kumba. Baba
ndivo vakatanga kuburuka ndichibva
ndavatevera ndichipinda mumba
"Baba" ndakadaro

Baba vakaenda muroom mavo


vakasvika vachizvivharira muroom
mavo. Ndakavatevera ndikasvika
ndichigogodza
"Baba ndokumbira muvhure door iri"
ndakadaro asi havana kundipindura

Zvichakadaro Paida akabudikira

"Chii manje Anenyasha?"


Ndakatanga kuchema "Baba vave
kuziva nezvangu naTafadzwa family
yose yekwaZvayi yave kuziva"

"Hezvo hanzi kudii?" Paida akabvunza


avhura maziso
Ndakamuudza nyaya yose ndichibva
ndaenda muroom mangu
ndakazvikandira pamubhedha
ndichitanga kuchema

Nei Tafadzwa ari iye anogara


achirwadziwa nefamily yake, family
iyi yakamboita sei chaizvo? Vose
vamuona achienda kujeri asi hapana
amboratidza kurwadziwa chero
kunditeerera zvandataura

Makuseni kuedza kwakaonekwa neni


ndakamuka ndichienda kupolice
station kunoona Tafadzwa aiva
akagara mucell. Haasati atombopora
chero marwadzo aanawo mumuviri
ekurohwa asi manje ave kurara
muchitokisi. Ndakamuona achitarisa
mudenga aionekwa kuti haana
kumbobvira arara

"Tafadzwa" ndakadaro

Akaswedera pandiri paakandiona.


"Ndinokuvimbisa Ane handina
kumboita izvi zvinhu zvandanzi
ndaita ndanga ndinewe ndanga
ndichazviita nguvai"

"Ndinokuvimba Tafadzwa uye


ndichakubisa panzvimbo ino
usanyanya kufunga nhasi
haumborare pano ndichaedza zvose
zvandokwanisa kuita kuti ubude"

Tafadzwa akanyemwerera.
"Ndinoziva kuti uchazviita"

"Warara sei?"
"Usazvinetsa neni ndazvijaira izvi chii
chasara chichiitika?"

"Vaudza baba nyaya yose vakati


tichataura zvakanaka kana iwe
wavapo"
"Baba vako?"

"Havanditaudzi baba, zvinhu zvose


zvichava right kana iwe wabuda pano
ndichataura navo"
"Family yako haifi yakandigamuchira"

"Handina basa nazvo izvo Ane,


munhu anofanirwa kutipa
makomborero ndibaba vako"
Ndakatanga kuyeredza misodzi

"Zvino hazviitiki izvo vanondivenga


baba"

"Ayewa hazvisi rizvo vabereki vako


vanokuda uye une luck iwe yekuti
unodiwa nevabereki vako vakango
kutsamwira sezvanga zvichaitwa
nemubereki wose"

"Okay Tafadzwa rega ndiende nhasi


unofanirwa kubuda pano" ndakadaro
tichibatana maoko tichichema tose
"Chirega kuchema Ane"

Ndakamuregedza ndichibva ndaenda.


Ndamuvimbisa kuti ndichamubudisa
asi handizivi kuti ndichazviita sei izvo

*Narrated*
Munya aiva mu room make,
aipupuma furo nehasha, aizvibvunza
zvinhu zvaiva zvataurwa na
Anenyasha kuti anodanana na
Tafadzwa. How? Iye aripo. Akabowa
achidonhedza tafura pasi, akatora
Foni achifonera Anenyasha
"Ndinoda kukuona now"

"Ndiri busy handikwanisi


kukuona,zvinhu zvaunoda kundionera
ndiudze pafoni"
"Ndinoda kukuona handingakwanisi
kutaura pafoni"

"Sezvo ndakuudza Munya . Ndiri


kuedza kubudisa Taffy mujeri. Ndiri
kuita zvinhu zvanga zvichifanirwa
kuitwa newe mukoma wake. Unoziva
Munya ndaikuremedza ndichifunga
kuti une moyo wakanaka izvo une
hutsinye wakafanana nevanhu
vekumba kwenyu. Shuwa ungarega
mukoma wako achisungwa? Apa
wanga uchitokutidzira kuti asungwe.
Aewa ndakutya Munyaradzi"

"Usandiudza nezva Tafadzwa ndati


ndinoda kukuona titaure nezvangu
newe"

"Tafadzwa mukomana wangu Saka


ndichataura nezvake. Hapana
zvandinotaura newe Ini
takaparadzana kare"

"Uri mukadzi wangu Anenyasha "

"Ndaiva mukadzi wako"


"Ohh waka aendesa ma paper ku
coart?"

Anenyasha akavhunduka

"What do you mean Munyaradzi"


"Ndinoda kukuona manje,
ndichakusendera location manje"

"Handiiti zvinhu zvakadaro ini "


Anenyasha akadaro achikata foni
*Anenyasha*

Munyaradzi anorevei kana achidaro?


Meaning haana kuendesa ma paper e
divorce ku court. Meaning nazvino
takachata. Arggg fuck Munyaradzi.
Asi chero zvakadaro izvo
hazvinganditadzisi kuda Taffy never.
Zvichakadaro foni yangu yakarira
yaiva number yandisingazivi
"Hello" ndakadaira

"Ndi Ethan Ari kutaura, uri kupi?


Ndoda kukubatsira kuburitsa
Tafadzwa kujeri"

Ohh zvinofadza kuti mumhuri


yekwana Taffy pane munhu
anomusapota ndakamuraira
kwandaiva ndiri

Handizivi kuti nditangire papi panyaya


iyi. Asi Bridget nei akaudza sisi vake
kuti ari kunoona Taffy? Iko aiva
amboenda kupi? Kunhu munhu
waaiva aenda kunoona ndiye
akamuuraya. But why? Aimuurairei?
Zvese izvi zvaitamba mupfungwa
dzangu
No pane nyaya hombe yakavanziwa
apa. Tinofanirwa kuenda kumba
kwana Bridget pamwe tichawana
something

Ethan akasvika achifamba nemota.


At least ari kufamba nemota. Zvinhu
zvedu zvichaita nyore.
"Thanks nekusvika"

"Tafadzwa I broe yangu Saka


ndinofanirwa kumubatsira, Saka
tinotangira papi manje?"

"Hande kumba Kwana Bridget pamwe


tichawana zvinobatika"
"I trust you kana uchidaro"

Takaenda kumba Kwana Bridget


zvagara Ethan anokuziva. After some
hours takasvika. Mpume paakationa
akasunga huso
"Muri kudei pano?"

"Please sisi calm down ngatitaurei


nekuti hatisi sure kuti Tafadzwa ndiye
akaita izvi. Pamwe Ari
kungonyeberwa"

"Muri kudei?"
"Tinokumbira utipewo foni ya Bridget
pamwe tingawana chokwadi"

"Ohh Saka mauya kuzoita munin'ina


wangu chisekeso iye asisipo hake"
"Aewa tauya kuzoita Justice tinoda
kuti munhu aita izvi asungwe, I'm
sure newevo ndizvo zvaunoda. Chero
tikawana ari iye Tafadzwa aita izvi
anofanirwa kusungwa chero kufira
mujeri" ndakadaro ndichitarisa Ethan

"Chokwadi maiguru"
"Tafadzwa amuuraya mwana wa Mai
vangu" Mpume akadaro achichema

"Newevo Mpume unofunga kuti


Tafadzwa angaita zvinhu zvakadaro
kwauri? Handirambi kuti Tafadzwa
angava mhondi asi handifungi kuti
anga angaita izvi kwauri. Tafadzwa
anokuda Mpume akaita zvose
zvaaikwanisa kusanganisa
nemurume wako . Akaed--"
"Fine ndichakupai" Mpume akadaro
achipinda mune rimwe room achiuya
ne foni ya Bridget

Yaiva yakadzima takaichaja.


Payakava ne 5% takaibatiza, lucky
yaiva isina password. Chinhu
chekutanga chandakaita kuita
kuenda kumacalls ndakatarisa kuti
ndiani amufonera paati ari kuenda
kuna Tafadzwa
"Dzaiva nguvai Bridget paakati ari
kuenda kuna Tafadzwa?"
ndakabvunza

Mpume akandiudza ndichibva


ndaenda kumacalls ndakaona pane
number yakanyorwa kunzi Warren
takatarisana tose

"Unomuziva here Warren?"


ndakabvunza

"Ayehwa" Mpume akadaro


"Ndiye apedzisira kutaura naBridget
pasati paitika izvi" ndakadaro

Mpume akanditarisa zvichakadaro


ndakaenda kuwhatsapp ndikatarisa
mamessage ake naMpume paiva
nemarecord akawanda anezuro
ndakabva ndamavhura
*Ndinokuda pano manje iwe Bridget*
Warren Akadaro

*Handikwanisi kuuya ikoko ini*


Bridget akadaro
*Unoziva wakaramba kuuya kuno
ndichauya kumba kwenyu* Warren
akadaro

*Okay fine ndiri kuuya* Bridget


akadaro
Takatarisana ndichabva ndatarisa
maaudio ekare ndichibva
ndamavhura

*Iwe Bridget uri kutora mwana wangu


uchimupa umwe murume unofunga
kuti handizivi here nezvemwana
wangu* Warren akadaro
*Haasi mwana wako uyu Warren
ndewa Tafadzwa* Bridget akadaro

*Bridget usandiita benzi ndinoziva


kuti mwana uyu ndewangu*
*Unoda ndiite sei Warren? ndigarire
ini kurohwa newe chero ndichinzi
ndinoenderera mberi newe unofunga
kuti mwana uyu ndinga mubereka ari
mupenyu here iwe nekundirova
kwaunondiita* Bridget akadaro
achichema

*Haufi wakachata nemukomana


iyeye kana pachifanirwa kuva
neumwe achafa achafa chete*
Warren akadaro

*Ndichachata naTafadzwa ini uye ari


kundiroora mumazuva ari kuteera*
Bridget akadaro
*Tichaona manje* Warren akadaro

Takatarisana naEthan ndakaona


huso hwaMpume hwasara misodzi

End of Chapter

https://chat.whatsapp.com/IaPxzGw
aGkf5zG8xxOXgfY

*From chapter 1 pindai umu ȯǤȯ


ǤȯǤ*

*ANENYASHA*
*Written: by Makalulue*

*Edited: by Ellena*

*Chapter 28*
*Tafadzwa*

Ndaiva ndakagara pacell


ndichingofunga nezva Ane chete
ndinoziva achandibuditsa muno
chete chero zvadii. Nezuro
ndamboita impressed paanga
asingaratidzi kutya paaudza family
yangu nezvangu naye. Nzira yaaita
nayo yaita kuti ndione kuti anondida
zvechokwadi ndaingo nyemwerera
ndisingapedzi. Ndoda kumbo laxer
ndione Ane achamira mira here

Pandakasimudza musoro ndakaona


Anenyasha, Ethan naMpume
"Ane" ndakadaro ndichisimuka
ndichiswedera pavari

"Babe" Ane akadaro


Sayijeni vakauya akavhura cell, Ane
akamhanyira kwandiri achindihaga

"Babe" Ane akadaro achichema

"Ndave right manje chirega kuchema"


ndakadaro ndichimupukuta misodzi
"Are you fine?" Ane akabvunza

"Yaaa ndiri right"


Mpume akaswedera pandiri

"I'm sorry Taffy ndanga ndisinga


fanirwi kuti ndibelieve kuti ndiwe
waita zvose izvi pana Bridget ndanga
ndichifanirwa kubeliever iwe" Mpume
akadaro
"Okay maiguru mamuwana here
munhu aita izvi?" ndakabvunza

Ane akandiudza nyaya yose


ndakashamisika neniwo kuti ndaive
ndave kutopfekedzwa bhachi risiri
rangu kaa apa.
"Don't worry maiguru zvinhu zvose
zvichaita" ndakadaro

Mpume akatanga kuchema. "Dai


Bridget akandiudza nyaya yose iyi
tanga tichaigadzira pamwe dai ari
mupenyu" Mpume akadaro
Ndakamuhaga sezvo aiva ave
kuchema

"Mpume be strong for Bridget mai


vako vachaita sei kana iwe wava
weak kudai" Ane akadaro

"Yaah ichokwadi maiguru" Ethan


akadaro

Ndakaenda kuno signer mapaper


tichibva taenda kumba handizivi
ndichavatarisa sei. Kwete kuti
ndinotya kuti vave kuziva nezvangu
naAne ayewa asi nei vaita zvinhu
zvakadaro kwandiri. Handifungi kuti i
family yangu iyi ini ingabva
yandisundira kumapurisa kunge
ndisiri ku exist (a) muhupenyu hwavo.
kubva nhasi hapasisina chinhu
chinondisanganisa navo.

Ethan akatanga nekuendesa Ane


kumba kwavo then nesuwo tichibva
taenda kumba. Patakasvika kumba
munhu wose akatitarisa
nekushamisika Ethan akavaudza
nyaya yose. Mhamha vakauya
vachindihaga Munya nzira
yaainditarisa nayo aida kundidya
shem. Pandaida kuenda muroom
mangu Munya akandibata
"So iwe nemukadzi wangu muri
kudanana?" Munya akabvunza

"Mukadzi wako upi?" ndakabvunza


"Unoreva kuti haumuzivi here
mukadzi wangu?" Munya akabvunza

"Mpumelelo"
"Usandiita benzi iwe Tafadzwa"

"Ini ndinoziva mukadzi wako aiva


Mpume hapana umwe wandinoziva"

Ndakanzwa baba vachitidanira


pamuzinda takapinda mukati. Ndisati
ndatombogara pasi Ane akapinda
nababa vake nevamwe vanhu
vemudunhu vecommity. I wonder
inyaya yei iri kuzotaurwa. baba
vakasimuka

"Tine problem pamusha pano vanhu


vedu mutemo haucharemekedzwi"
mambo vakadaro
"Munorevei mambo kana
muchidaro?" Gumede akabvunza

"Tese tinoziva kuti Mandlovu anga


akaroorwa pamusha pano nemwana
wepamusha pano muhombe asi
zvino tazoziva kuti ave kudanana
nemukomana mudiki wacho" mambo
vakadaro
Vanhu vose vakavhunduka

"Sei manje?" Manyoni akabvunza

"Eeh vana vemazuva ano" Mambo


vakadaro

"Ayewa hakuna kuti vana vemazuva


ano iye Mandlovu akaita sei zvinhu
zvakadaro nekuti zvinhu zvaari kuita
izvi zvinonyadzisa" Manyoni akadaro

"Ndine shuwa kuti vana vanga vari


confused chete havangaiti zvinhu
zvakadaro" mai Munya vakadaro

"Ayewa mhamha hatizi confused


ndinomuda Ane naiyevo anondida
tinodanana" ndakadaro

Ndakanzwa nembama yaibva kuna


baba asi handina basa nazvo izvo.
Vanhu vose vakatarisa pasi nezvinhu
zvandaiva ndataura asi vanofanirwa
kuziva chokwadi

"Zvinhu zvose zviri kuitika pano


hazvifi zvakapedza kuti ini naAne
tinodanana uye tinoda kurarama tose
kwehupenyu hwedu hwose"
ndakadaro
"Tafadzwa!!!!" mhamha vakadaro
nehasha

"Sezvo uchitaura zvose izvi


naMandlovu ndizvo zvaari kufunga
sewe here?" Manyoni akabvunza
Ndakatarisa Ane asi aingotarisa baba
vake achitya but i understand her.

"Anenyasha" Manyoni akadaro


"Ari kutaura chokwadi Tafadzwa
ndinomuda zvakanyanya uye ndiri
ready kuroorwa naye" Ane akadaro

Ndakaona Munya achiridza tsamwa

"Anenyasha!!!" baba Ane vakadaro


"I'm sorry baba asi handinga kwanisi
kuchinja nzira yandiri kunzwa nayo
pana Tafadzwa, ndinokumbira
kwamuri kuti mundipe makomborero
ini naTafadzwa" Ane akadaro

"Chatiri kuda makomborero enyu


chete nekuti hatinga kwanisi kuchinja
nzira yatiri kunzwa nayo" ndakadaro

"Munojairira imwi vana, Tafadzwa


hauzivi here kuti aiva mukadzi
wemukoma wako uyu wauri kutaura
naye kudaro" baba vakadaro nehasha
"Ini naAnenyasha takadanana kare
baba asati atombochata pamusha
pano" ndakadaro

Vanhu vose vakavhunduka.

"Ari kutaura chokwadi Tafadzwa


takadanana kare, ndisati
ndatomboziva kuti Kuna Munyaradzi"
Ane akadaro

"Uye tinoda kuchata" ndakadaro

"Zvinhu zvamuri kutaura ndezve


kupenga hazvifi zvakaitika pamusha
pangu. Hapana Anenyasha
naTafadzwa vachachata" baba
vakadaro

"Unoziva ndaiva ndisingafungi kuti


uchaita zvinhu zvakadaro Anenyasha
izvo pawaiparadzana naMunya
waitoda munin'ina wake nei waita
zvakadaro Anenyasha? Pamusha
pano waiva wavinga kuzoputsa
musha wangu wakambozvinzwa kupi
Anenyasha zvinhu zvakadaro?
mhamha vakabvunza
Takanyarara.

"Anenyasha haufi wakadanana


nemukomana uyu haufi wakaroorwa
naye uri kundinzwa" vaZhou vakadaro

"Ndinomuda baba" Ane akadaro


"Zvinhu zvauchaita pari zvino ndinoda
ukanganwe nezvinhu zvose nekuti
ukasasiyana naye imwi muri vaviri
muchabuda panzvimbo ino nyaya
yenyu ngaipere nhasi chaiye hakuna
zvakadaro" baba vakadaro
"Yaaah Zvayi ari kutaura chokwadi
tinkangonzwa nezvenyaya iyi
munobuda munzvimbo ino. Hatinga
jairirwi nevana munopenga imwi
munodhererisa dunhu rino" Gumede
akadaro

"Ndinofunga kuti manzwa


musangano wapera" baba vakadaro
Vanhu vose vakasimuka vachienda
ndakatarisa Ane achibuda nababa
vake. Chero chii chinofanirwa kuitika
chichaitika nekuti ini handifi
ndakarambana naAnenyasha never.

*Anenyasha*
Takaenda kumba nababa asi
ndaivaona kuti vaipupuma furo
nehasha asi vanga ita chero
zvavanoita ini handifi
ndakaparadzana naTafadzwa.
Takasvika kumba vakandidhonzera
kusitting room

"Kudherera sei kwauri kuita nhai


Anenyasha? nei uchida kungogara
uchindinyadzisa pavanhu?" Baba
vakabvunza

"Handisi kukunyadzisai baba asi


ndinomuda Tafadzwa. Munya
handina kumbobvira ndakamuda"

"Usapamha zve kutaura zita


ramukomana iyeye pamusha pano.
Uchida usingadi ucharambana naye
mukomana uyu"

"Ndinomuda baba uye tine zvishuviro


zvedu muhupenyu uye tinoda
kuzochata rimwe zuva"

"Hee mashura angu ari kuti kudiiko


mwana uyu kwandiri. Inzwa
mwanangu kana uchida kuenderera
mberi nemukomana uyu uchabuda
pamusha pekwa Zhou"

"Baba hamunga ndidzingi pano


ndakadaro ndave kuchema"
"Zviri kwauri uchasarudza family yako
kana kuti mukomana wekwa Zvayi"

"Ndinosarudza family yekumba


kwedu asi naTafadzwa ndinomuda"

"Ndati sarudza pakati pezvinhu zviviri


Anenyasha"
Ndakanyarara nekuti ndaiva
ndisingazivi kuti nditi kudii. Handidi
kurasikirwa nefamily yangu uye
handidi kurasikirwa naTafadzwa
handizivi kuti ndichazviita sei kana
zvadai.
"Ndiri kutaura newe Anenyasha"

"Baba ndinomuda Tafadzwa ini"

Baba vakasimuka nekukurumidza


vachienda muroom mangu
ndakavatevera ndave kuchema
"Baba ndokumbira munditeerere
please"

Vakasvika mawardrope yangu


vakabvisa mbatya dzangu vakadziisa
mubag
"Baba ndokumbira musandidzinga
baba ndokumbira musadaro kwandiri
please" ndakadaro ndichichema

Vakatora bag rangu vachinorisarira


padoor
"Tevera bag rako uye usambofunga
kuuya pamusha pano. Kwandiri wave
kufanana namunhu akafa kubva
nhasi ndichakanganwa nezvako kuti
ndine mwana anonzi Anenyasha"

"Baba ndeuno chete musha


wandinawo ndokumbira musandidaro
please"
"Ndati buda pamusha pangu tora
mbatya dzako uende kumukomana
wekwa Zvayi ndiri kumupa mahara"

Ndakagwadama nemabvi ndichiedza


kunyengerera asi baba vakaenda
vakadzoka nedzimwe mbatya dzangu
vachinhonga dzaidonha pasi
vachidzikandira panze ndakaona
Paida achivatevera

"Baba muri kuitei? baba


ndinokumbira musadaro" Paida
akadaro
Baba havana kumuteerera vakatora
mabag angu vachindidhonzera kunze
kwemusha vachibva vakiya gedhi

"Baba husiku huno ndichaenda kupi?"


Ndakabvunza ndichichema

"Enda kumukomana wekwa Zvayi"


baba vakadaro vachipinda mumba

Paida aingovatevera kumashure


achiedza kuvanyengerera asi vaiva
vasinga muteerere. Ndakapererwa
kuti ndiite sei ndichaenda kupi
zveshuwa iko ndichafonera Tafadzwa
achati kudii nenyaya yose iyi. But
hapana zvandingaita ndinofanirwa
kumufonera ndakatora foni yangu
ndichimufonera
"Tafadzwa" ndakadaro ndichichema

"Babe uri kuchemei?"


"Baba vandidzinga kumba handizivi
kuti ndicharara kupi" ndakadaro
ndichichema

"Don't worry ndiri kuuya kuzokuona"

Ndakasuduruka pedo nemusha


wekumba ndichinogara pasi peumwe
muti apo nguva dzaiva dzave kuma7
kunze kwaiva kwasviba. Ndakamira
kwe20 minutes pandakatarisa
ndakaona kombi ichibudikira
ndakasimuka nekutya

Akafona achindiudza kuti ndiye


Kombi yakaswedera pedo neni
ichibva yamira akauya pandiri
achindihaga
"Zvichaita babe don't worry"
Tafadzwa akadaro achitora mabag
angu achimaisa mukombi mukati
maiva nadriver I think aiva a hire
Kombi

"Tiri kuenda kupi?"


"Ticharara kutown muhotel then
mangwana tiri kudzokera kuHarare"

Ndakabvuma nemusoro. Handizivi


kuti ndiri kunzwa sei nezvinhu
zvaitika baba vandidzinga sei? Kombi
yakasimuka ichienda kutown
patakasvika takaenda ku hotera
ndikanogeza ndikapfeka mbatya
dzekurara. hapana zvekuti tinga
kisana chero chii ini ndoda kuzorodza
pfungwa chete. Handisi kuzvi believer
zvinhu zvataurwa nababa asi
ndinofanirwa kuzvi gamuchira

********

Makuseni ndakamutswa naTafadzwa


andivigira breakfast
"Morning"

"Morning"

"Maziso ako kubva atsvuka kudaro


Ane?"

Handiti ndanga ndichichema husiku


hwose ndichingo funga nezvababa
ndinomuda murume uya
But he left me with no choice
handinga kwanisi kugara ndiite
zvinhu zvavanoda nevanhu
vekwaZvayi vasina moyo
Takadyisana naTafadzwa
zvichakadaro takanzwa munhu
aigogodza Tafadzwa akaenda
kunovhura door. Ndakaona Tafadzwa
achidonhera pasi ndakasimuka
nekukurumidza pamubhedha
ndikaona ari Munya

"Munyaradzi" ndakadaro
"Uri kudei pano Munya?" Tafadzwa
akabvunza

"Ndauya kuzotora mukadzi wangu"


Munya akadaro
"I'm sure kuti warasika Munya nekuti
Ane musikana wangu" Tafadzwa
akadaro

Munya paakaedza kurova Tafadzwa,


Tafadzwa akamubata ruoko
"Haungandiroveri musikana wangu
uye zvekundirova uchazviita Kwa
Zvayi kwete pano ndinokupedzera ini
ukada kundi sizer. Haudi respect
neiko iwe Munyaradzi?" Tafadzwa
akadaro

"Anenyasha mukadzi wangu" Munya


akadaro
"Nei uchikanganwa kuti
makaparadzana" Tafadzwa akadaro

Munya akaburitsa mapaper


achiratidza.
"Hatina kudivorcer" Munya akadaro

Tafadzwa akavhunduka. "Handiti


unoona kuti mukadzi wangu" Munya
akadaro
"Mapaper haana zvaanoreva moyo
wangu uri kuna Tafadzwa saka haufe
wakatiparadzanisa" ndakadaro

Munya akabva abvarura paper


redivorce."ndinoda kuona kuti
muchachata sei" Munya akadaro
Ndakaedza kumubata asi Tafadzwa
akandibata Munya akabvarura
mapaper akasara ari tuma pieces
pieces achibva abuda achienda.
Ndakatarisa Tafadzwa, Tafadzwa
akandihaga

"Hapana zvichaitika okay"


Ndakarara pa chipfuva chake
ndichichema.

*Tafadzwa*
Ndakamurarisa pachipfuva changu
ndichimunyaradza hatinga
mborambaniswi nemapaper isu never

"Don't worry babe zvinhu zvose


zvichaita baba vachadzora moyo pari
zvino vachiri shock. Baba vanokuda
zvakanyanya vachakuregerera"
"Shuwa here?"

"Yes babe don't worry zvinhu zvose


zvichaita ndokumbira ugadzirire tiri
kuenda ini ndiri kunotora mbatya
dzangu kumba uye Roe ari munzira
kuuya kuzotitora"
"Okay"

Ndakabuda ndichienda sezvo aiva


asvika munhu wandanga ndahire
akachaira kusvika asvika kumba
ndakabuda mumota ndichipinda
mukati ndakawana mhamha vari
kukitchen asi handina kuvamhorosa
nekuti ndinoziva kuti vachati
ndisaenda. Ndakapinda muroom
mangu ndikarongedza mbatya asi
ndichaita sei naJay kuti asandiona
nekuti achandichemera.
Ndapedza kutora zvinhu zvakakosha
Ethan akapinda

"Yaah bro uri kuenda kupi" Ethan


akadaro
"Ndiri kuenda ndave kunogara
kuHarare"

"Haungaiti zvinhu zvakadaro bro


tofanirwa kugara pasi titaure
sefamily"

"Family ipi handina family ini pano


ndina mhamha chete naEthan"

"Please bro"

"Please Ethan usandiitira kuti zvinhu


zvive worse" ndakadaro ndichitora
mbatya dzangu ndichibuda door asi
mhamha vakandiona
"Taffy mwanangu uri kuenda kupi?"
Mhamha vakabvunza

"Ndiri kuenda mhamha ndakura ini


ndichakwanisa kuzvitarisa"
"Ndokumbira usadaro" mhamha
vakadaro vave kuyeredza misodzi

"Ndiri kukuudzai handifi ndakadzoka


pamusha pano ndichauya ndave
mucoffin ndafa kana musingandidi
ndichavigwa kumba kwangu"
Mhamha vakandirova nembama
yaiva yakaneta

"Usapamha zve kutaura nezvekufa"


mhamha vakadaro nehasha
"Ndiri kutaura chokwadi mhamha
ndiri kuenda kunotanga family itsva
nekuti pano handina family"

"Tiripo isu family yako"


"Ayewa mhamha hapana family
yangu pano ndimi chete family yangu
nazvino ndichiri kuzvibvunza kuti
ndinoera Zvayi here"

"Usapamha zve kufunga zvinhu


izvozvo Tafadzwa"
Zvichakadaro Ticha naMunya
vakapinda vakamira padoor

"Uri kuenda kupi Tafadzwa?" Ticha


akabvunza
"Ndiri kukusiyai murunyararo
pamusha penyu mugare zvakanaka
pasina anokunetsai" ndakadaro

"Please Taffy usataura uchidaro"


Ticha akadaro

"Saka uri kutiza naAnenyasha?"


Munya akabvunza

"Handisi kutiza ndiri kuenda naye


nemvumo yake" ndakadaro

Mhamha vakanditarisa vachivhura


maziso
"Saka uri kutiza family yako nekuda
kwemusikana?" Mhamha vakabvunza

"Musikana akakwanisa kundi support


(a) apo family yangu yandipandukira
family yangu yainditi ndiri mhondi
ndauraya munhu. Akaita zvose
zvaanogona kuti ndibude mujeri yes
ndiye musikana wandinosarudza
iyeye kudarika family yangu"

Mhamha vakanyarara. "Besides that


ndinofanirwa kuva naye Ane plus
naiyevo aita izvozvo kwandiri baba
vake vamudzinga kumba kwavo
naiyevo haasisina family angosarirwa
neni ndega"
Vakatarisana vose ndakabva
ndabuda mhamha vakanditevera
vachichema naEthan
aingondinyengerera asi handifi
ndakachinja decision yangu. Ooooh
ndave kurangarira manje Jay haapo
ari kumba kwamai vake sezvo kune
rufu
"Ndokumbira umutse mota tiende"
ndakadaro

Zveshuwa muchairi akamutsa mota


tichienda kutown. Ndakafonerwa
naRoe achindiudza kuti ave kusvika
after some minutes ndakasvika
kuhotel kwaiva naAne aiva akagara
pabed you can tell kuti pane zvinhu
zvaari kufunga handizivi kuti chii
chandingaita kuti akanganwe
nezvinhu zvose zviri kuitika

"Babe uri right?"

"Kumba vati kudii?"


"Havana zvavataura mhamha ndivo
vanga vasingadi kuti ndiende asi ini
handichadi kugara pamusha paya"

"Baba vako?"
"Vanga vasipo baba im sure kuti
vachafara pavachanzwa kuti
ndaenda"

"I'm sorry"
"Hauna chawatadza we will do it
babe. Roe ati ave kusvika"

"Okay"

"Yaaah ndamuraira room achauya


muno"
Ane akabvuma tichitanga kuona TV
after some minutes Roe akasvika
tichibva tabuda tichienda

"Murisei guys" Roe akadaro


"Tiri right" ndakadaro

"Ane urisei" Roe akadaro


"Ndiri right" Ane akadaro

"Tafadzwa saka mudhara wako


akaipisa mota yako?" Roe akabvunza

"Yaaah handiti ndakakusendera


mapictures yakatsva mota yangu.
Uye ngavatore maparts asina kutsva
vanotengesa" ndakadaro

"Yoooh mudhara wako ndinomutya


ane moyo wehutsinye" Roe akadaro

"Ndinoda kutoziva kuti vangani


vakarara pasi nekuda kwavo"
ndakadaro
Roe akaseka. "Ayy hameno kuti ndoti
kudi" Roe akadaro achiseka

*ANENYASHA*
Ndiri kumunzwa Roe ari kutaura
naTaffy asi ini ndakagara kumashure
ndiri kufunga nhamo dzangu ndiri
kuzvibvunza kuti chii chichazoitika
muhupenyu hwangu kuti zvinhu
zvichafamba mushe naTafadzwa
here kana kuti ndichazochema mberi.
Ndinoziva kuti Tafadzwa anondida
uye anondiitira chero chii asi handidi
kutira advantage yeizvozvo saka
ndafonera Kule vangu kuti ndiri kuuya
ndichagara navo kumba kwamhamha
Zvagara handinga bhowekani kune
macousin anoenzana neni saka
ndichange ndiinavo. Ndakatora foni
ndichifonera mhamha vakadaira
nekukurumidza

"Hey sisi" mhamha vakadaro


"Mhamha murisei"

"Unenge usiri right kwakanaka?"


"Ayewa mhamha hakuna kunaka
ndiri munzira kuenda kuHarare
kutaura kudai"

Ndakanzwa mhamha vachishamisika

"Harare? zvikoro hazvisati zvavhurwa


ka?"
"Baba vandidzinga kumba vati
ndisadzoka zve kwavari ndafanana
nemunhu akafa"

"Nei baba vako vadaro?"


Ndakavaudza nyaya yose .

"Handifungi kuti ichokwadi ini saka


uchaita sei kuHarare?"
"Ndichanogara kumba kwamhamha
ndataura naKule then kana zvikoro
zvavhurwa ndichaenda kuuniversity
kana zvavharwa ndichadzokwera
kuna Kule"

Tafadzwa akanditarisa
achishamisika
"Unoziva kuti baba vako vanokuda sei
ihasha chete"

"Hakuna izvozvo mhamha baba


havachandidi"
"Usataura uchidaro mwanangu"

"Okay mhamha bye tichataura"


ndakadaro ndichikata foni

"Saka hautauri kuti uchanogara


kwaKule vako kaa?" Tafadzwa
akabvunza

"Ayewa Tafadzwa sezvo zvikoro


zvisati zvavhurwa ndichanogara
naKule then zvavhurwa ndogara
kuuniversity"
"Eeh ndanga ndichifunga kuti
uchanogara kumba kwangu"
Tafadzwa akadaro

"Babe handidi kuva mutoro wako"

"Hausi mutoro wangu babe tichagara


tose"
"No kana tasvika ndokumbira
undiendese kumba kwamhamha"

"Okay no problem"
Ndakamuona kuti aiva atosunga
huso asi hapana zvandingaita, dai
ndaenda Kuna Ngoni asi Mitchy
anogara achisvika uye imba
yaanorenta idiki. Takasvika ku Harare
takatanga nekumba Kwa Taffy,
takawana pane musikana aiva
akagara achiona TV. Ndakavhunduka
nekuti zvaiva pachena kuti musikana
wake, hapana munhu angagara
mumba nemunhu asipo. Paakationa
musikana akasimuka achiuya
kwandiri
"Hey ini ndinonzi Viole Vee mai
vemwana wa Tafadzwa"

Ndakavhura maziso ndichitarisa


Taffy.Roe akapera nekuseka,
ndakatura befu
"Babe chiiko uri kundikanganisira
plan yangu"

"Ahh iwe unoda mwana wevanhu


afende"

"Ndanga ndichida kumu tester hey ini


ndinonzi Viola musikana wa Roe"
"Nice to meet you chero hako wanga
wandiuraya"

"Nhasi wanga uchafa chaiko. Roe


ndiye anazvovo uyu"

Ndakaseka
"Vee wabikei ndiri kufa nenzara ini"

Vee akaenda ku kitchen ndakaendavo


ku kitchen ndichinomubatsira
tichiuya nechikafu
"Nhasi munhu haana kumbotenga
Heineken" Taffy akadaro

"Haa Taffy inga Roe auya nayo"


ndakadaro.

"Ahh yanga iri shoma iyo"


"6 pack here Taffy ishoma?"
Ndakabvunza

"Ishomasa ahh" Taffy akadaro

Ndakadzungudza musoro tichitanga


kudya. Tapedza ndakatarisa Taffy
"Taffy ndokumbira undiendese"

"But nei Ane uchindidaro,?"

"Taffy handingakwanisi kugara pano


ini"
"Okay" Taffy akadaro

"Ayy this time muchaenda mega


ndakaneta ini" Roe akadaro

"Hande" Taffy akadaro. You can see


kuti zvinhu zviri kuitika now haazvidi
but he don't have choice

*Narrated*

Mai Munya vaiva vakagara


pamuzinda Vega vachichema
vachifunga mwana wavo aiva aenda
"Hezvo ndiani afa?" Mambo
vakabvunza

"Baba mwana wangu aenda"

"Handisi kunzwisisa "


"Tafadzwa aenda baba"

"Aenda kupi?*

"Chamunofanirwa kuziva ndechekuti


haachadzoki zve pano"
"Yah abatsira akaenda inhubu mwana
uya"

Mai Munya vakavhura maziso.

"Baba mati kudii?"

"Mwana ane misikanzwa kani uya,


haanzwe"

Mai Munya vakatanga kuchema

"Baba ndimwi munodaro nhasi? Inga


Wani makandivimbisa kuti Tafadzwa
muchamubata semwana wenyu.
Honai nhasi zvamuri kumuita"
"Mwana uya musoro wake wakaoma,
akatodza baba vake ndaneta
nekushingirira kupenga kwake ini.
Kuchikoro kuti aende akatoita
zvemusoro wake!! Mambo vakadaro

"Zvayi ndokumbira usafananidza


mwana wangu nemurume iyeye
please!!" Mai munya vakadaro
"Saka ini unoda ndimuite sei
Tafadzwa nekuti unomuona newevo
chigeven'a uyu sa Shingi"

"Zvayi nei wakandivimbisa kuti


uchamubata zvakanaka mwana
wangu. Neyi usingamubati sevamwe
vans vose? Nekuti iye haasi mwana
wako weropa"
"Mai Munya hazvisirizvo Izvo. Yes
Tafadzwa haasi mwana asi achiri
ropa rangu. Pandinodetemba
vadzimu vekwa Zvayi naiyevo anenge
aripo nekuti ndewekwa Zvayi
Tafadzwa iropa rangu chero asiri
mwana wangu chete haanzwi munhu
wacho"

"Dai Ari Munya, Ethan kana Ticha


banoita izvi waizovapanicha sezvauri
kuita pan Tafadzwa here. Dai vari Ivo
vaenda wanga uchafara sezvauri
kuita here!!!!"

"Chero dai anga ari ani aita izvi


ndanga ndichaita zvinhu zvandaita
pana Tafadzwa"

"Manje ndiri kuzviona kuti mwana


wangu kubva kare hauna
kumbomugamuchira!!!!" Mai Munya
vakadaro nehasha vachibuda

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/IaPxzGw
aGkf5zG8xxOXgfY
*Vanoda from chapter 1 pindai
umu ȯǤȯǤȯǤ*

*ANENYASHA*

*Written by Makalulue*
*Edited by Ellena*

*Chapter 29*
*Anenyasha*

Ndakabuda naTafadzwa tave kuenda


kumusha kwamhamha ndiri kumuona
Tafadzwa kuti haadi asi handinga
kwanisi kugara mumba yake ini.
Akananga mutown kumashops
"Tiri kudei pano?"

"Saka uchasvika kumba kwaKule


vako wakabata maoko here? Hakuna
vana here waungavigira zvinhu
zvinonaka"

Ndakanyemwerera. "Thanks"
ndakadaro ndichiburuka ndichipinda
mutown

Ndinomuziva kaa cousin wangu


anozvida zvinhu zviri sweet.

"Hauchatore nyama hayo negrocery


shoma?"
"Handinga kwanisi kutora zvinhu
zvakawanda nemari yako"

"Tora zvinhu zvaunoda"


Ndakatora grocery diki akandibatsira
tichibva taenda kutill takanobhadhara
tichibva taenda

"Asi Ane waenderei hona ini newe


tanga ticharara mumakamuri
akasiyana?"
"Tafadzwa haisiriyo nyaya yaita
ndisagara mumba mako"

"Saka chii?"
"Ndokumbira usandibvunza Taffy
please"

"Okay fine" Taffy akadaro achichaira


kusvika tanosvika kumba
kwamhamha

Mota yakamira pagedhi


tikambokisana kwenguva yakareba

"Ndinokuda ndichakufunga
zvakanyanya"

"Neniwo ndinokuda"
"Ndokumbira undiudze kana pane
zvinhu zvaunoda usatya kundiudza
babe okay"

"Ndichakufonera thank you so much"


ndakadaro tichikisana
Achibva anondivhurira boot
achiburitsa zvinhu zvangu
ndakapinza zvinhu zvangu mukati
ndichibva ndadzoka kuzotora plastic
akanditarisa nemaziso ainyengerera

"Please Taffy enda"


"Ndinokuda wanzwa"

"Neniwo ndinokuda zvakanyanya"

Taffy akamutsa mota achienda


ndakasara ndakamira ndichitarisa
musha uyu ndakatanga kufunga mai
vangu pamwe chete nambuya vangu
vakashaya. Ndichiri kurangarira tina
mhamha naNgoni tashanya kuzoona
mbuya asi manje havasisipo uye
handichafi ndakavaona. Ndakasvika
padoor ndikagogodza ndakanzwa
munhu aiuya kuzondivhurira aiva
Tatenda cousin wangu paakandiona
akavhunduka. Takaguma kare
akandimhanyira achindihaga
"Urisei" Tatenda akadaro

"Ndiri right Tatenda"

"Unoziva ndanga ndichifunga kuti


baba vari kutamba pavandiudza kuti
uri kuuya"

"Vanga vasingatambi"

Woow that's good news" Tatenda


akadaro achindibatsira kutora zvinhu
tichipinda mukati
Kule pavakandiona vakafara
zvakanyanya.

"Ooh muzukuru wangu" Kule


vakadaro
"Kule murisei"

"Hawu tinotenda kuti wasvika uri safe


mwanangu"
"Neniwo ndafamba zvakanaka Kule"

"Ini ndanga ndichifunga kuti


hauchauye sezvo ndaona zuva rave
kuvira" Kule vakadaro
"Aaaah pane zvandinonotsa sekuru
asi ndanga ndiri safe"

Ndakaona vana vaKule matwins


vachiuya kuzondihaga I think now
vava nemakore 8 vasikana
ndiMunashe naMatipaishe.
"My babies"

"Imi hamuchatidi"

"Aaah ndisinga kudei nei nhai vana


vangu?"
"Nei musingauyi kuzotishanyira?"

"Ndiripo manje ndauya"


"Yoooh pachanakidza pano"

Tatenda aiva ave busy nefoni yake


akabva adzinga vana

"Imi munonetsa mhani budai


munotamba uko" Tatenda akadaro

"Okay nhanha ndichiripo hakuna


kwandinoenda" ndakadaro
ndichivhura plastic ndichivapa
mayougurt nemachocolate vakafara
zvakanyanya
Zvichakadaro mbuya vakabudikira

"Makadii mbuya"

"Urisei mwana sikana" mai Masungo


vakadaro
"Ndiri right mbuya"

Mai Masungo vakatarisa Kule


"Hezvo ko wadii kundiudza kuti Ane
ari kuuya?" mai Masungo vakadaro
vachitarisa mabag angu

"Afona ndiri kubasa ndanga ndichiti


ndichakuudza" Kule vakadaro

"Oooh tafara kuti wasvika


Anenyasha" mai Masungo vakadaro

"Ndinotenda" ndakadaro

"Tatenda tora zvinhu zvacousin wako


uise muroom mako I'm sure
muchakwana muroom imomo" Kule
vakadaro
"Ehe baba tichakwana" Tatenda
akadaro

"Mbuya hezvo zvinhu


zvandakuvigirai" ndakadaro
ndichiburitsa grocery
"Aaah muzukuru wangu shuwa
ungabva watenga grocery rose iri"
Kule vakadaro

"Ndakakugumai kare kule saka


zvanga zvisingaiti kuti ndiuye
ndingori maoko chete"
"Tinotenda watibatsira" mai Masungo
vakadaro

Takaenda muroom maTatenda


ndakasvika ndichizvikandira
pamubhedha
"Shooo ndakaneta ini" ndakadaro

"Shuwa unofanirwa kuneta mota


inonetesa kaa"
"Ayy mbatya ndichadziisa later
muwardrope ndakaneta ini"

"Zorora mwana sikana ini ndiri busy


netik tok pano"

Ndakaseka ndichirara.
*Narrated*

Mai Sarah vairongedza mbatya dzavo


vaiva vatotora decision yekudzokera
kumba kwavo chero murume wavo
akavadzinga this time havabvume.
Vapedza kurongedza vakanokwira
kombi vachienda kumba kwavo
kwaiva kusiri kure saka havana
kutora nguva vaiva vatosvika.
VaZhou pavakavaona vakashamisika

"Handina kukuudza here kuti


handikudi pamusha pangu?" vaZhou
vakabvunza
"Mushavi urisei"

"Hey mai Sarah usada kundinzwa


wanzwa kuda kundingwarira"

"Ndaneta baba nekugara kumba


mukadzi mukuru seni anga gara
kumba kwavo zvinoita here izvozvo
chimbozvifunga newewo"

"Mai Sarah"

Mai Sarah havana kupindura


vakapinda mumba vaZhou vaingotera
kumashure
*Munyaradzi*

Unoziva handizivi kuti ndinofanirwa


kufunga sei nezvinhu zvose izvi Ane
angaita zvinhu zvakadaro sei
kwandiri. Pamusoro pekushingirira
kwese uku ndinomuda Ane
zvakanyanya ndaida kumuitira zvinhu
zvose. Ndanga ndichizviudza kuti
ndichamumirira kusvika apedza
chikoro asi hona manje kuti ari kuitei.
Ndichiri kufunga kudaro mhamha
vakapinda

"Munyaradzi wakanganwa here kuti


tinofanirwa kugadzirira kuenda
kurufu?" Mhamha vakabvunza
"Ayehwa mhamha handina
kukanganwa"

"Ndezvipi zvawaita zvinotaridza kuti


hauna kukanga Munyaradzi"
Ndakashamisika nei mhamha
vachitaura neni nenzira yakadaro.

"Muka kuhope uko urege kurota"


"Mhamha"

"Rufu rwekwa ambuya vako saka


unofanirwa kuvapo uchibatsira
nezwimwe. Chero zvichinzi naMpume
hamuchataudzani asi vana vanongo
kusanganisai"
"Ndinokunzwai mhamha ndichaita
sekudaro"

"Good" mhamha vakadaro vachienda

Ndakasara ndichidzungudza musoro


nei mhamha vachitaura neni nenzira
yakadai Oooh pamwe inyaya
yaTafadzwa kuti aenda. Ndakabuda
ndikaona baba nana Ticha vane
zvinhu zvavaiita after some minutes
ndakaona mota ichibudikira ichiuya
nestraight kumba kwedu.

"Ndiani manje uyu ari kuuya pano?"


Baba vakabvunza
"Neniwo handizivi" Tichaona akadaro

Ndakaenda kunovavhurira
ndakavhunduka zvakanyanya
pandakaona bamukuru Shingi pamwe
chete naTawana vachibuda mumota.
Vana Ticha vakanditarisa
vachishamisika nekuti ivo vaiva
vasinga zivi chinhu
"Chii Munyaradzi?" Ticha akabvunza

"Tisvikewo kwaZvayi tauya pano tiri


vekwaZvayi" bamukuru Shingi
vakadaro
Baba vakavhunduka zvakanyanya.
"SHINGI!!!!" baba vakadaro

"Ehe ini ndauya kuzotorazvinhu


zvangu zvese" bamukuru vakadaro
Takavhunduka tichitarisana asi chero
takavhunduka tose zvamhamha
zvaiva worse. Munhu uyu akagara 25
years ari kujeri. Tanga tadokanganwa
nezvake

"Shingi!!!" baba vakadaro


"Ndini munin'ina wangu" bamukuru
Shingi vakadaro

"Wabuda sei mujeri?" Baba


vakabvunza
"Kanganwa neizvi hazvina kukosha
iwe ziva kuti ndabuda mujeri ndava
pano manje pamusha pababa vangu"
babamukuru vakadaro

"Bamukuru makadii" ndakadaro

"Oooh ndiri kukuonai vapfanha


makura manje pari zvino handidi
kutaura ndinoda kuzorora" bamukuru
vakadaro vachipinda mukati baba
vaitevera kumashure

"Mhamha muri right?" ndakabvunza

"Yes ndiri right" mhamha vakadaro


vachitendeuka tichitarisana
"Tawana uri right" Ticha akadaro

"Yaaah ndiri kukuona kuti muri


kugara pamudhadha hapana
chamunoshaya" Tawana akadaro
"Nei uchidaro nekuti ndiwe
wakashara kubva pamusha pano"
ndakadaro

"Hapana zvandataura ini" Tawanda


akadaro achisimudza maoko
achitevera baba vake
"Ooooh ndivo baba ava vainzi
vakasungwa?" Ethan akabvunza

"Ehe ndivo" ndakadaro ndichienda


muroom mangu
Handizivi kuti ndiite sei zvinhu zviri
kuitika pandiri zvinondi stressa uku
ndinofanirwa kuenda kunhamo uku
havo bamukuru Shingi ndinovaziva
vane madrama ava. Ndakatora foni
ndichifonera Mpume ndaida kunzwa
kuti Popo arisei sezvo zvanzi ari
kurwara
"Hello" Mpume akadaira

"Hey arisei Popo?"

"Hapana chati chachinja apa


ndangomumwisa mushonga achibva
arara"
"Okay ndizvo zvandanga ndichida
kunzwa. Jay arisei?"

"Ari right uyo ari kupinda"


"Ndinokumbira umupe foni"

Mpume akamupa foni

"Jay"
"Aaah mhamha muri kundipa foni kuti
nditaure nauyu munhu akarova
bamunini Tafadzwa" ndainzwa Jay
achitaura pafoni

"Jay mwanangu please"


Jay haana kundipindura

"Aenda uyu" Mpumelelo akadaro


"Okay ndichamuona mangwana
ndauya ikoko"

"Kana uchinzwa kuti haudi kuuya


usazvinetsa"

"Handina kumbodaro ini" ndakadaro


Mpume achibva akata foni
*Anenyasha*

Ndakapepuka kuma 9 ndikaona


Tatenda atomuka
"Morning" ndakadaro

"Morning cousin"

"Ndakarara late nezuro ndosaka


ndanonoka kumuka"

"Taura hako"

Takamuka tichinogeza tapedza


takaenda kukitchen tikaona kune
vana mbuya pamwe chete naKule
vatomuka
"Morning" ndakadaro ndichigara pasi

"Muzukuru wamuka ko warara sei?"


Kule vakabvunza
"Zvakanaka Kule"

"Yoooh kubva mamuka masikati ano"


mbuya vakadaro
"Hatina kurara mhamha tichitaura
nyaya" Tatenda akadaro

"Let's hope hamutaure nyaya


dzevakomana" mbuya vakadaro

Ndakatarisa Tatenda
"Haa mhamha pezvinhu zvose mabva
mafunga zvevakomana here"
Tatenda akadaro

"Ndozivei ini" mbuya vakadaro


"Siya vana mhani imwi mai Masango"
Kule vakadaro

Takatanga kudya breakfast yedu


"Tsano varisei?" Kule vakabvunza

"Vari right Kule" ndakadaro

"Manje washanya kwenguva


yakareba sei?" Kule vakabvunza
"Ndichaenda kana ndave kuenda
kuchikoro Kule kwangosarirwa
nesvondo rimwe chete" ndakadaro

"Chero ukagara pano handione


problem kana uri pano ndinenge
ndichitoona mai vako" Kule vakadaro
Ndakanyemwerera. Takaenderera
mberi nekudya tapedza takaenda
kunosuka ndiro.

"Nhasi tiri kumbeya kupi?" Tatenda


akabvunza
"Oooh kasi tinofanirwa kumbeya?"

"Aaaa hatinga gari mumba kusvika


nguva dzekurara kaa"
"Pane munhu anokwanisa kuti
mbeesa"

"Ndiani manje?"

"That guy wandanga ndichikuudza


nezvake nezuro achauya kuzotitora
agotimbeesa"
"Ko chifona zve" Tatenda akadaro
tichienda muroom medu

Ndakatora foni yangu ndichifonera


Taffy
"Anenyasha dzaTaffy"

"Urisei Tafadzwa waAnenyasha"


"Ndinga right sei iwe usipo pedo
neni?"

"Ndina cousin wangu tinoda


kumbombeya asi atizivi kuti
tichambeyera kupi ndokumbira
umbeye nesu"
"Ooh shem sorry remember handina
mota"

"Sh*t ndanga ndatokanganwa"

Taffy akaseka. "Relax ndichauya


nemota yaRoe, muchandishanyira
kumba kwangu"
"Aaah babe hatidi imba yako isu
tinoda kumbeya"

"Zvino handina mota"


"Oooh ndanga ndatokanganwa"

"Okay ndichakuisirai mari muende


ndichakuona"

"Okay babe, I love you"


"Ndinokuda kudarika Tafadzwa"

Ndakaseka ndichivhara foni


"Unoziva ndanga ndatokanganwa kuti
mazuva ano haana mota"

"Yooh saka kuchabhowa"

Zvichakadaro ndakaona message


yaipinda mufoni yaiva yemari.
"Yaiswa mari ngatichienda"

"Okay rega ndinoudza baba kuti tiri


kubuda out"
"Okay let's hope vachabvuma"

"Havarambi baba trust me" Tatenda


akadaro achibuda achienda
Ini ndakasara ndichitsvaga mbatya
dzekupfeka.

*Narrated*

Family yekwaZvayi yaibva kufuneral


yaBridget uku Shingi aiva atovamirira
"Ndiudze nhai Shingi chiiko chauri
kuda kwandiri?" Mambo vakabvunza

"Unoreva kuti hauzivi here kuti ndiri


kudei mupfanha wangu?"
"Handina nguva yekutamba ini"

"Unoziva kuti ndiri kuda chigaro


changu pamwe chete nemwana
wangu"
Mai Munya vakavhara door.

"Une mwana here iwe? hauna mwana


iwe!!!!" mai Munya vakadaro nehasha
"Oooh zviri pachena kuti hamuna
kumuudza kuti mwana wangu
ndinomuda nhasi chaiye zuva risati
ravira" Shingi akadaro

"Tafadzwa haana kumbobvira akaita


mwana wako uye haafi akazviziva
izvozvo" mai Munya vakadaro
nehasha
"Hauna mwana iwe pano uye hauna
chigaro chauchawana" Mambo
vakadaro

"Vanhu mudunhu vanoziva here kuti


makaviga zvinhu zvakadai. Iye
Tafadzwa anoziva here kuti hausi
baba vake?" Shingi akabvunza
"Usapinda munyaya dzefamily yangu"
mai Munya vakadaro

"Handina kupinda nyaya dzefamily


yako ini asi ndinoda twangu twese.
Chigaro ichi chaifanira kuva changu
baba vakandisiira chigaro ichi iwe
wakachitora kwandiri" Shingi akadaro
"Handina kumbotora chigaro
kumunhu inj ndiwe wakatadza
kuchibata zvakanaka ukatorerwa"
Mambo vakadaro

"Ndinoda mwana wangu manje


ndinoda kumuudza kuti ndini baba
vake kwete iwe Obert" Shingi akadaro

"Haungaiti zvinhu zvakadaro" Mambo


vakadaro

"Ndicharambidzwa nani? ndinoda


mwana wangu manje pamwe chete
nechigaro chake" Shingi akadaro
Vanhu vose vakavhunduka

"Oooh muri kuvhunduka chii? chigaro


changu ichi saka ndichachipa mwana
wangu Tafadzwa" Shingi akadaro
*TAFADZWA*

Handinga kwanisi kumirira zvinhu


zvakadai izvi zuva haringaviri kunze
kwaAne ndakabva ndatora foni yangu
ndichiedza kumufonera asi haana
kudaira. Ndizvo zvinhu zvisingandipi
runyararo izvi vapfanha vemuHarare
vachada kutora machance paari

Ndakaramba ndichingoedza kufona


asi haana kudaira ndakaisa foni
yangu pasi ndichibva ndarara pasofa
yakabva yarira ndakamhanyira
kuitora asi aiva asiri Ane aiva Ethan
"Ethan mupfanha"

"Bro hauchatifonere?"

"Unoda baba vako vauraye foni yako


pavanonzwa kuti ndini ndiri kufona"
"Usataura uchidaro mhani iwe" Ethan
akadaro tichiseka

"Uchiri kuvarangarira bamukuru


Shingi vatakaudzwa nezvavo?"
"Uya ainzi ari kujeri"

"Vauya shaa kutaura kudai varipo


pamba" Ethan akadaro ndakaseka
"Hanzi vaiva vakasungirwei?"

"Handizivi chinhu hapana chandati


ndanzwa auya nedununu rake iri
rinonzi Tawana harina zvaratiudza"

"Haaa ndabva ndashuvira kuti dai


ndiriko ndichiona drama pamwe
naiye Shingi wacho ane moyo
wakashata semunin'ina wake ndiko
saka aiva akasungwa"

"Huya mhani chiiko newe"

"Handidzoki pamusha paya ini"


"Maiguru kubva zvawakaenda havasi
right"

"Ngavaite focus nemurume wavo ini


ndakagara kuno nemunhu wandinoda,
hey kata foni mukadzi wangu ave
kufona"
Ethan akaseka. "Wave nemukadzi
here iwe?"

"Pfutsek" ndakadaro ndichikata foni


ndichabva ndadaira Ane
"Babe"

"Wasvika ikoko hauchadairi macalls


angu"
"Haaa Tafadzwa"

"Usati haa nei wanga usingadairi


macalls angu pandanga
ndichikufonera?"
"Handairega kudaira ndichiiona
Tafadzwa pamwe ndanga ndiri busy"

"Chii chaungaita busy nacho


chakakosha kudarika ini?"

"Ndanga ndiri kukitchen ndasiya foni


kubedroom Tafadzwa zvino
ungatsamwira kuti nei ndisina
kudaira foni" Ane akadaro achikata
foni

"What the f*ck anokata sei foni


ndisati ndapedza kutaura naye"
ndakadaro ndichiedza kumufonera
asi haana kudaira
Ndakaramba ndichingozama haana
kudaira ndakapedzisira
ndamunyorera message

*Anenyasha uri kundijairira handidi


zvekutetswa ini, don't test me nekuti
ndiwe uri wrong* ndakasenda
message ndichiedza kurara
Nei Ane ataura neni kudaro
zvichakadaro ndakanzwa munhu
achindibata

"Ayy unondivhundutsa mhani iwe


Roe"
"Chiiko newe?"

"Ko ndipewo mota yako ndinoda


kunoona Ane ndiri kuona kuti ave
kundijairira manje"
"Wave kurwara iwe saka unoda
kupinza mwana muma problem what
if Kule vanokuona?"

"Saka ini ndinofanirwa kugara


ndakadai apa asingadairi macalls
angu"
"I'm sure kuti ari busy pamwe
newewo pane zvawaita haugone
kutaura zve iwewe"

"Newewo futi"

"Uri kuziva here kuti tinofanirwa


kunotora staff kuairport husiku"
"Yaah ndichiri kurangarira"

"Saka ndinokumbira kuti udzikame


hatikwanisi kuenda wakadai"
"Okay rega ndimborara zvishoma"

Ndichauya kuzokutora and please


usaenda kumba kwana Ane"
"Handiendi" ndakadaro Roe achibva
abuda achienda

Ndakatarisa foni yangu saka Ane


haadi kutaura neni message yangu
haasati aipindura

*Narrated*
Shingi aiva akarara pamubhedha apo
pakapinda mwanakomana wake
Tawana"

"Baba"

"Ndinoda kuzorora Tawana"


"Ndinoda kubvunza zvino munoziva
here kuti Tafadzwa ari kupi?"

"Ndakamirira kuti vandiudze kwaari,


ndinomuda kwete zvekutamba"
Vachiri kutaura kudaro Mambo
vakapinda

"Unoenda rinhi?" Mambo vakabvunza

"Kupi?" Shingi akabvunza


"Unobva rinhi pamusha pangu?"

"Musha wako here uyu? Unoziva kuti


wakavakwa sei? Musha wababa
uyu.parizvino hazvisirizvo zvandiri
kuda kutaura nezvazvo. Ndiri kukupai
svondo rimwe chete mundiudze kuti
Tafadzwa ari kupi?Auye atore chigaro
chake" Shingi akadaro
"Mupfana uya ane misikanzwa sewe
haafi akatungamira vanhu"

"Hausiriwe uno decider Izvo hausi


Mambo iwe. Tafadzwa anofanirwa
kuuya kwaari azotungamira vanhu
vake. Now ndave kutanga kunyumwa
mwana wangu maimunetsa
pamuzinda pake, nei Ari iye ega asipo
pano vako vana vose varipo"
"Tafadzwa haafi akatonga" Mambo
vakadaro..

"One week chete. Buda muno


ndinoda kurara" Shingi akadaro.
Mambo vakabuda vachipupuma
nehasha
End of chapter

https://chat.whatsapp.com/IaPxzGw
aGkf5zG8xxOXgfY

*Vanoda from chapter 1 pindai umu


ȯǤȯǤȯǤ*
*ANENYASHA*

*Written by Makalulue*

*Edited by Ellena*
*Chapter 30*

*Anenyasha*
Unoziva Tafadzwa anofunga kuti
ndichamunyengera here ndamuudza
kuti ndanga ndiri busy asi iye
anondiudza zvimwe ayy handinga
zvigone ini

"Chii manje cousin?" Tatenda


akabvunza achiseka
"Wakambodanana nemunhu
anorwara nepfungwa?"

"Vaitei manje bamukuru vangu?"

"Akanditsamwira kuti nei ndisina


kudaira foni ndanga ndichifanirwa
kuita sei ini foni ndanga ndasiya
muroom"

"Haaa anotya zve kukuruza"

"Nxaaa anofanirwa kundivimba


kusandivimba kwake uku kwaari
kuita"

"No darling hazvisirizvo"

"Nxaaa hande tinodya vamwe


vatomirira isu"
Tatenda akandiseka tichibva taenda
patafura. Takadya chikafu chedu
nevamwe

"Tatenda" mai Masango vakadaro


"Mhamha" Tatenda akadaro

"Ndarasikirwa nemari yandanga


ndakaisa pedo nesofa hauna kuiona
here" mai Masango vakadaro
"Ayewa mhamha yanga iri marii?"
Tatenda akabvunza

"Yanga iri $30 ndaiisa ipapo pandati


ndinoitarisa yanga isisipo" mbuya
vakadaro

"Asi mai Musango ndakuudza kuti


pamwe wakanganwa pawaiisa" Kule
vakadaro

"Handina kukanganwa Musango"


mbuya vakadaro

"Pamwe hauna kutarisa zvakanaka


iwe" Kule vakadaro
Ipapo ndaiva ndisisisakwanisi kudya
zvakanaka chikafu

"Mhamha muchaiwana mari yenyu"


Tatenda akadaro
" asi mari inotanga kunyangarika
pano" mbuya vakadaro

Ndakarohwa nehana, mbuya


vanorevei kana vachidaro. Unoziva
zvinorema sei kuti uri pamusha
pevanhu then munhu otaura
zvakadaro ndakanyarara misodzi
yave kupisa kumeso ndakaedza
kushingirira asi yakapedzisira
yoyerera.

"Uri kuona zvinhu zvandanga


ndichitaura manje unobhowa iwe.
Ndinoziva kuti mari iripo paari
chingoti wakanganwa pawaiisa" Kule
vakadaro
Ndakabva ndasimuka

"Uri kuenda kupi Ane?" Kule


vakabvunza
"Ndiri kunotarisa mari yambuya"
ndakadaro

"Hakuna mari yauchatsvaga gara pasi


udye chikafu chako" Kule vakadaro

Ndakagara pasi asi moyo wangu


wairwadza. Tapedza kudya takaenda
kunosuka ndiro

"Tatenda hande tinotsvaga mari


yamai vako" ndakadaro

"Mai naivowo vachaiwana mari yavo"


Tatenda akadaro
"Please" ndakadaro

"Tjoo Ane ndine husimbe ini" Tatenda


akadaro tichienda
Ndakaitarisa patv tikatarisa nzvimbo
yose tikasimudza nesofa

"Hona manje" Tatenda akadaro


achitendeka mari
Ndakagwadama ndichiitora. "Thank
God ndichaiendesa kuna mbuya"
ndakadaro ndichienda muroom mavo

Pandakasvika padoor ndakaona


vachinetsana

"Handizvidi izvozvo zvauri kutaura


apa unoda kuti Anenyasha anzwe sei
nezvinhu izvozvo" Kule vakadaro

"Anzwe sei ko ndiye aitora here mari


nekuti ini ndanga ndichitaura chete"
mbuya vakadaro

"Kana uchiti mari inotanga


kunyangarika wanga uchirevei?"

"Ndanga ndichitaura chokwadi mari


yakambonyangarika here pano
pamusha Masungo?. Mari
yanyangarika pave nemuzukuru wako
uyu"
"Mai Tatenda" Kule vakadaro
nehasha

Ndakabata misodzi yangu.

"Uchavhurika rinhi maziso iwe


unoziva kuti Anenyasha adzingwa
kumba kwavo unoziva kuti
adzingirwei"
"Pamba pamai vake pano Anenyasha
saka anofanirwa kuuya chero nguvai"

"Dai anga achida kushanya anga


achashanya kwete kuti auye
kuzogara pano ayewa. Imbofonera
mukwasha wako umubvunze kuti chii
chaitika"

"Handifoneri munhu ini chero


kuchinzi adzingwa handina basa
nazvo ane kodzero yekuuya pano.
Inzwa pano musha uyu hausi wako
ndewe vabereki vangu naChenge mai
vaAne saka zvinoreva kuti Ane
anekodzero inodarika iwe pamusha
pano"
"What about my daughter?
unomuona Tatenda achiri mudiki
muzukuru wako achadzidzisa mwana
wangu zvinhu zvakashata"

Ndakabata muromo ndichitendeuka


ndichienda muroom medu
ndisandadi kuti Tatenda andione
ndakaenda kunogeza huso nekuti
misodzi yaiva yave kuyerera
ndichabva ndadzokera pamubhedha.

"And then?" Tatenda akabvunza

"Ndokumbira unopa vabereki vako


mari"
"Wanga waenda kunovaona wani"

"Ndazotaura naTafadzwa pafoni


ndikakanganwa kunovapa ndave
nehusimbe hwekunogogodza ini"
Tatenda akaseka. "Mave kufonerana
manje" Tatenda akadaro achitora
mari achienda

Ndakatora foni yangu nemaoko


aibvunda ndichitryer kufona
*Tafadzwa*

Sh*t nyaya yedu iyi yekubhaizisika


husiku yandibhowa shem. Asi nhasi
hatifanirwi kuita zvinhu zvakaitika
nezuro. Ndakaneta apo hope
hadzibati ndine stress yaAne nazvino
haachadairi macalls angu
haandifonere.
Ndakamuka ndichibva ndaenda
kunogeza pamwe ndakaneta
zvichapera zvandiri kunzwa.
Pandakapedza kugeza ndakadzokera
muroom mangu ndakaona foni yangu
yanguri yarira ndakashamisika
pandakaona ari mamissed aAne
ndakabva ndamufonera
"Hey Tafadzwa"

"Wave kuona kuti undifonere kana


iwe wave kuda"

"Tafadzwa ndinokumbira kuuya


kumba kwako nhasi"

Ndakadzora hasha pandakanzwa izwi


rake kunge munhu asiri right

"Chii manje babe uri right?"


"Ehe ndiri right ndokumbira uuye
kuzonditora masikati"

"Ane taura chokwadi, okay urongedze


mbatya dzako dzose"
"Eeh babe ndicharara kwezuva rimwe
chite usauya nepfungwa dzako
idzodzo"

"Okay" ndakadaro ndichikata foni


yangu
Chero kuchinzi kudii Ane haasi right
ndakafonera Roe ndichikumbira kuti
andipewo mota yake kuma12 ndoda
kunotora Ane.

Ndakanodya breakfast yangu


pandakapedza kutaura naRoe
*ANENYASHA*

Unoziva mashoko ambuya haana


kugara zvakanaka mumoyo mangu
zvinoreva kuti havasi right nekuva
kwangu pano. Yoooh ichasvika rinhi
Monday apo ngasi iwednesday
tichaenda hangu ndinogara kuchikoro
ndisiye vanhu murunyararo pamusha
pavo
"Cousin kubva wanyarara kudai uri
kufungei?" Tatenda akabvunza

"Ayy ndiri kufunga maresults chete


sezvo tave kuvhura chikoro"
"Iiii taura hako"

"Nhasi ndiri kuenda asi ndichatanga


ndataura naKule"
"Uri kuenda kupi?"

"Ndiri kushanyira Tafadzwa asi kuna


Kule ndichati ndiri kuenda kuna
Ngoni"

"Oooh woow ndichawana something"


Tatenda akadaro achiseka
"Haaa ini here kana, saka ndiudze
mai vako vati kudii nemari pawavapa?

"Vanga vachati kudii


vangoshamisika"
"Ummm okay hande tinogadzira
chikafu" ndakadaro ndichienda asi
patakasvika pakitchen vaiva
vatoigadzira

"Morning mbuya"
"Ummmmm muri vana madam shem
munorara" mbuya vakadaro

"Mommy" Tatenda akadaro


"Nazvino muchiri kutaura husiku
hwose?" Mbuya vakabvunza

"Ayewa mbuya tinokumbira


ruregerero nekunonoka kumuka"
ndakadaro ndichivabatsira nechikafu.
Tapedza ndakaenda kuna Kule
muroom mavo
"Muzukuru uri right?" Kule
vakabvunza

"Ehe Kule"

"Ndinokumbira kunoshanyira Ngoni


ndichauya mangwana pane
zvabdinoda kunotaura naye"

"Haaa unoreva kuti unoda kuenda


nhasi?"

"Ehe asi ndichauya mangwana"


"Okay mwanangu no problem" Kule
vakadaro vachiburitsa $50

"Ooh mari yetransport utenge


nezvimwe zvinhu zvidiki"
"Haa Kule no need for that"

"Iripo need ndakafanana nekuti ndiri


mubereki wako saka ndinofanirwa
kuita chero chii"
Ndakanyemwerera ndichicahaga
ndichibva ndaenda muroom mangu
ndichinorongedza mbatya
dzekuchinja dzandichaenda nadzo
kuna Tafadzwa. I really need fresh air
zvechokwadi

Kumba kwaTafadzwa hapana


chinondinetsa kuma11 Tafadzwa
akafona achiti ndigadzirire Nekuti ari
munzira. Ndakagadzirira akasvika
Kuma 12 ndichibva ndaenda kumota
ndakabva ndapinda mukati
tichihagana tichikisana

"Babe" Tafadzwa akadaro


achinditarisa mumaziso
"Yes love"

"Maziso ako akatsvuka kunge wanga


uchichema"

"Oooh ndanga ndisinga cheme


pamwe handina kurara"

"Nei usina kurara?"

"Tanga tichitaura naTatenda"


Tafadzwa akamutsa mota tichienda
kumba munzira taitaura nyaya

"Nei uchida kundishanyira?"


"Hezvo imhosva here kuti ndishanyire
munhu wangu?"

"No I doubt asi ndafara hangu kuti


ndinewe nhasi"

Ndakarara pachituro ndichitarisa


mudenga apo ndaifa nemusoro
ndainzwa kuda kurara

"Are you okay?"

"Ndinokumbira unditengere mapiritsi


emarwadzo ndiri kunzwa musoro"
"Nei usina kundiudza kuti uri
kurwara?"

"Wanditanga manje"
"Okay" Tafadzwa akadaro tichibva
taenda kumashops

Tafadzwa akadzoka neplastic mukati


maiva nezvinhu zvinonaka
nemapiritsi
"Thanks"

"Haungamwi mapiritsi usina kudya


idya chikafu chako chandakuvigira"

Ndakanyemwerera nekuti aiva


andivigira burger.
*Narrated*

Kuma12 Shingi Zvayi aiva akarara


foni take yakarira raiva lawyer rake
"Shaaa"

"Mr Zvayi uri kupi?"

"Ndiri kumba"
"Kumba kupi?"

"Kumba kwedu"
"Ndinokumbira usaita zvinhu
zvusinga enderane nemutemo nekuti
uchapinda zve hupenyu hwako
munataisireva, I'm sure kuti haudi
kudzokera kujeri"

"Ndauya pano kuzotora zvinhu


zvangu zvose kwete kuzorwa"
"Ndinonzwisisa uye unoziva kuti izvi
haufanirwe kuzviita nehondo
ndinokumbira kuti ugare chero
kwemwedzi muviri then wozobvunza
zvinhu zvako nekuti uchava nerocord
yakaipa uchangobva mujeri wava
muhondo futi"

"Mwedzi uri kure kuti upede ayy


handinga kwanisi kurarama"
"Hupenyu hwako uhwu uye mwedzi
unokurumidza kupera ndokumbira
undiitire izvozvo chete"

"Okay ndiri kukunzwa" Shingi akadaro


vachionekana
*Anenyasha*

Moyo wangu uri kurwadziwa


nezvaitika masikati, handizivi ndarara
nguvai asi ndaguma Taffy
achindiendesa kunondiradzika pa bed
ndichibva ndatobatwa nehope.
Ndakapepuka ndichitora foni
ndichitarisa nguva dzaiva Kuma 2
makuseni. Pandakatarisa side ra
Taffy aiva asipo. Ndakasimuka
ndichimutsvaga ku shower aiva asipo.

Ndakamutarisa imba yose asi


ndakamushaya. Ko aripiko Tafadzwa?
Ndakadziks downstairs negumbezi
ndichienda ku TV room. Nei
Tafadzwa angondisiya just like that
mumba make? Ndakasvika
ndichizvikandira pasofa ndichirara
Kuma 4 ndakanzwa door richivhurika
ndichinzwa ma footsteps.
Ndakasimuka ndichinobatidza light.
Tafadzwa paakandiona akavhunduka

"An-- Aneny-- anenyasha"

"Uri kubvepi nguva dzino Tafadzwa?"


Pandakamutarisa hembe yake yaiva
yakazara neropa akazvitarisa achibva
anditarisa

"Iropa reyi iri? Nhasi zve nderembudzi?


Manga muchiba mbudzi Tafadzwa?"
"Babe"

Ndakaswedera paari ndichida kutora


bag raaiva akabata asi akatizisa bag
rake.

"Haungabati zvinhu zvangu Ane"


"Ndinoda kuona kuti munei umu!!!"

Akatendeuka achienda. Ndakatevera


ndichimudanidzira

,"Tafadzwa!!!"
Haana kumbonditeerera akaramba
achifamba. Akapinda mu bedroom
neniwo ndichibva ndapinda. Akabuda
zve achidzoka asisina bag.

"Tafadzwa uchandiudza here kuti


wanga waenda kupi?"
Haana kundipindura akaenda ku
shower achibva auya achipinda
mumagumbezi asina
kumbondipindura.

"Tafadzwa"

"Ane siyana neni please ndinoda


kurara ini"

Neniwo ndakapinda mumagumbezi


ndichirara ndakatarisa rimwe side.
Ndichibaya baya foni yangu. Ndauya
kuno ndichiti ndinoda kufurwa
nemhepo asi ndiri kuwana stress
more. Eish kunoyedza rinhi
ndidzokere Kwa Kule.
Ndave kuzvishora kuti ndanga
ndichienda kupi. Now I know
Tafadzwa anoita basa rekuuraya
vanhu. Iropa rei ranga riri pahembe
yake

*********

Kuma 5 ndakamuka ndichienda


kunogeza ndichibva ndachinja.
Ndakafonera munhu we tax, handina
basa kuti achandidhurisira sei as long
ndabva pano. Minutes later munhu
we tax akasvika ndichibva ndabuda
ndichienda. Pandakasvika pamota,
ndakanzwa munhu achindibata ruoko
aiva tafadzwa

"Uri kuitei?" Tafadzwa akabvunza


"Ndisiye maan ndiende Tafadzwa"

Tafadzwa akaburitsa mari achipa


munhu we tax

"Tiri ku cancel trip"


"Tafadzwa"

Munhu we tax akamutsa mota yake


achienda

"Tafadzwa uri kuitei?"


"Saka iwe unoda kungoenda chete
tisina kumbotaura?"

"Ndinotaurei newe Tafadzwa iwe


usingadi kutaura neni?"

"Ngatipinde mumba panze pari


kutonhora" Tafadzwa akadaro
achindibata ruoko tichipinda mumba.
Tichienda ku bedroom. Ndakasvika
ndichigara pa bed ndichimutarisa

"Tafadzwa"

"Look ropa rawaona nezuro yes ranga


riri ropa remunhu asi anga ari Prince
apfurwa"
"Nazvino uchiri kundinyebera?"

"Handinyebi, Prince apfurwa ndiko


Saka ndamuka ndikaenda ndisina
kukuudza Ndanga ndisingadi
kukumutsa husiku"

"Prince vachimupfura husiku anga


achibvepi?"

Haana kundipindura

"Ndakubvunza Tafadzwa

"Unoziva varume vanofamba husiku


hwani"

"Pakati pehusiku Tafadzwa"

"Anga achibva ku club"

"Tafadzwa nei uchindinyebera? Chero


kuti Prince apfurwa andizvibvumi"

Akatora foni yake achifona achiisa pa


loud speaker ".

"Shoo"
"Shoo Roe, Prince waenda
kunomuona here?"

"Ahh unopenga Tafadzwa makuseni


ano here? Ndichaenda Kuma 8
zvagara musikana wake aripo
achamutarisa"

"Okay sho" Tafadzwa akadaro


achikata foni

Unoziva Anenyasha haana chinhu


chandinovenga sekunzi prover kuti
ichokwadi here"

"Nazvino hausati wa prover chinhu


Tafadzwa. Kusvika muwane ma bara
hanti manga muchinoita misikanzwa.
Mu bag umo manga munei
Tafadzwa?"

"Ayy Anenyasha ayy"

"Ndinoda kuziva Tafadzwa"

"Uchakwanisa kumirira chokwadi


Tafadzwa?"
Handina kupindura ndakatarisa pasi.
Pachokwadi handizivi kuti
ndichakwanisa kumirira zvinhu zviri
kutaurwa na Tafadzwa

"Anenyasha ndiri kutaura newe"


"Yah"

Akasimuka pa bed

"Nditevere"

Ndakatanga kurohwa nehana


"Ndati nditevere Anenyasha "

Ndakamutevera tichienda mune


rimwe room. Mukati maiva nerima
muchityisa. Ndakabatirira pasri
"Tafadzwa "

"You strong right? Hanti unoda kuziva


zvinhu zvisinei newe"

"Ndoda kudzokera ini "


"No turning back musikana "
Tafadzwa akadaro tichifamba
kusvika tasvika pane imwe nzvimbo

Tafadzwa akabatidza light.


Ndakasara padiki kufenda
pandakaona type yose yepfuti.
Akatora bag raauya naro nezuro
achirivhura. Ndakapera simba
pandakaona ari ma drugs.
Ndakabvunda muviri wese
ndichimutarisa nekushamisika. What
the hell is this? Akandiratidza zvinhu
zvose

"I'm sure now wagutsikana".

Ndakamutarisa nemaziso aiva


akazara misodzi
"This is my life"

"Your life? Uchuraya hupenyu


hwevechidiki nema drugs"

"Handikanganisi hupenyu hwemunhu


ini"
"Uri kuitei?"

"Hatingatauriri muno" Tafadzwa


akadaro tichibuda tichienda ku
bedroom kwake. Ndakasvika
ndichitora bag rangu

"Problem Yako Ane haudi kuteerera


waita zvinodiwa newe chete.
Ndinoedza kukutsanangurira asi
haudi kunditeerera"

"Ndazviwana zvandanga ndichida


kunzwa"

"Ma drugs aya tiri kuatora ku Nigeria


toatengesera umwe munhu weku
America "
"America? Ku America wainodzidza
here or wainotebgesa ma drugs?"

"Anenyasha ndakuudza zvandanga


ndichifanirwa kukuudza"

"Why Tafadzwa? Why wakasiya basa


rako raiva professional uchiita
zvehugeven'a unoziva here kuti
zvichakukanganisira hupenyu hwako?
Unoziva here kuti newevo uchafa
sevanhu vauri kuuraya"

"Handiurayi munhu Ini"

"Nei usingadzokeri kuchipatara


Tafadzwa?*
"Handidi"

"Saka nei wakadzidza?"

"Nekuti ndaida Anenyasha. Look life


yandiri kurarama ndinoida
zvakanyanya uye hapana munhu
achandisiisa. Maybe iwe
haungakwanisi kudanana nemunhu
akaita seni Saka ndinokusunungura
nekuti Ini handingazvakwanisi
zvekuudzirwa kuti ndiite sei
nehupenyu hwangu. Enda hako
kumba kwengu unoenderera mberi
nehupenyu neniwo ndichasara
ndichirarama life yandinoda"

Ndakamutarisa ndichishamisika
"So you break up with me?"

"No but I see things between me and


hazvifi zvakashanda"

"Nei uchiita zvinhu zvose izvi Taffy?"


Ndiyo mibvunzo yandisingadi iyoyo.
Ndiko Saka ndati umwe neumwe
afambe nzira yake. Handingakwanisi
kugara nsichitsanangurira munhu ini.
Ndakabva kumba nekuti ndaida
kurarama hupenyu hwangu kwete
kurarama hupenyu hweumwe munhu
Saka handingazoudzwi nemusikana
kuti ndiite sei nehupenyu
hwangu"Tafadzwa akadaro achitora
foni achiibaya Vaya
After 10 minutes

"Tora bag rako tiende"

Ndakatora bag rangu tichibuda


ndakawana tax yakamira panze. Apa
misodzi kwandiri yaiita madiro.
Ndakapinda mu tax ndisina
kumbooneka. Tafadzwa
akabhadhara driver achibva amutsa
mota tichienda.

Ndaungochema nzira yose. Moyo


wangu waiva wakatsemuka pakati
chaipo. After everything yatakadarika
na Tafadzwa obva andiramba just
like that. Zvichakadaro foni yangu
yakapinda message yaibva Kuna
Taffy
*For your own good ngatisiyane
Anenyasha. Relationship yedu
haishansi*

Ndakaverenga message iyi


kakawanda misodzi ichiita kunaya
kumeso kwangu

*Tafadzwa*
It's been a week now ini na Ane
tisingataudzani. Ndakaedza
kumufonera asi haadairi ma calls
angu. anenge aka blocker number
yangu coz haichapindi. I'm sure ari
kuchikoro now, yes we not together
anymore asi handingamuregi
achigara nemusikana uya. Ndava be
information yose kuti ndiye
akatengesa Anenyasha. I know Ane
acharwadziwa asi anofanirwa kuziva
chokwadi. Proof ndaitora kune umwe
wavo kujeri andiudza nyaya yose.

"Saka tiri kuenda kwavanogara?" Roe


akabvunza

"Ehe ndinoda kuti Nicole abvume ega


mberi Kwa Ane"
"Then Anenyasha ogara kupi?"

"Hamheno pamwe achanogara Kwa


kule vake"

"Saka iwe wakatomuramba mwana


uya"
"Eyy dude musikana uya Ari too
forward I won't survive"

"Hee usazotichemera kana adzojera


zve Kuna Themba".

"Handina basa Dude..I think now


vabuda kuchikoro vave kumba
kwavo"

"Yah ichokwadi " Roe akadaro


tichinopinda mumota achiimutsa
tichienda..

Takasvika pagedhi. Nzvimbo ino


varume havabvumirwi asi isu
tinofanirwa kupinda. Takapinda
tikaenda mu room mavo.
Takavawans vachiona TV. Ka Nicole
pakakationa kakavhunduka
zvakanyanya. Ohh kanotoziva nyaya
yako

"Roland" Anenyasha akadaro

"Hello ladies" Roe akadaro


"Roland muri kudei pano?"

"Kuzotaura nemwi" Roe akadaro

Ane haana kupindura. Saka Ane ave


kundivenga zvekudaro. But it's fine
"Nicole tauya kwauri sisi. Tinoda
uudze Anenyasha chokwadi"
ndakadaro

*Anenyasha*
Ndakashamisika kuti vairevei
pavakati Nicole ngaataure chokwadi

"Muri kutaura nezveyi?" Ndakubvunza

"Nicole hatina nguva yekutamba


newe tave kuziva chokwadi chose.
Ukaramba wakanyarara unorara wava
kujeri" Roe akadaro
"Nicky vanotaura nezveyi?"
Ndakabvunza ndiri confused
zveshuwa ndaiva murima.iye Nicky
aiva ave kubvunda uku misodzi
ichiyerera

"Nicky" ndakadaro
"Hatina nguva yekutamba newe
bitch!!!!" Tafadzwa akadaro nezwi riri
pamsoro

"I'm sorry Anenyasha ndakazviitiswa


nekuda mari "
Ndakashamisika kuti vaitaura nezveyi

"Handisi kunzwisisa in"

Nicole akandiudza nyaya yose.


"You!!!"

"I'm sorry "

"Nicky ndagara newe nguva yakareba


pano asi iwe ndipo paunofunga kuita
mari neni"
"I'm sorry Anenyasha ndiri kuzvishora
nezvinhu zvandakakuita"

Ndakapererwa kuti ndikomupindura


ndichiti kudii. Handina nguva
yekuitisana nharo naye.
Handingakwanisi kugara nemunhu
akaita izvi. Zviri pachena chero
kundiuraya angazviita.
Ndakarongedza mbatya dzangu
ndichibva ndaenda ku sitting room
"I'm sorry Ane ndinokumbira usaenda
nekuda kwangu. Ndichaenda ini"

"Nei Nicole? Nei wakandidaro? Ini


ndaikuona sa sisi vangu izvo iwe uri
kutoona munhu achakuitisa
mari.dont worry ndichaenda ini"
ndakadaro ndichitora ma bag angu
"Don't worry tichakuperekedza" Roe
akadaro achindibatsira kutora ma
bag angu tichiaendesa kumota.

Tafadzwa aiva akanyarara hake.


Takasvika kumota ndikagara
kumashure be bag rangu Roe na
Taffy vakagara kumberi. Roe
akamutsa mota tave kuenda kumba
Kwa Kule. Handizivi mbuya vachati
kudii nekuzogara kwangu kumba
nekuti havandidi shame havadi chero
kuzvivanza

End of chapter

*ANENYASHA*
*Written by: Makalulue*

*Edited by: Ellena*

*Chapter 31*
*Anenyasha*

It's been a month now ndichigara


kumba kwaKule handina mufaro. Iko
ndingafara sei nekuti pandakauya
ndakaona kuti mbuya hazvina
kuvafadza, chinhu chinondishamisa
handizivi kuti nei vasingadi kudaro.
KwaKule havasi vanhu vanoshaya
Kule vanoshanda basa riri nani dai
zvichinzi ndinovapedzera chikafu
better asi havana chavanoshaya.

Rimwe zuva Kule vasipo vaenda


nebasa ndakabva kuchikoro
ndikawana pasina chikafu mbuya
vaiva vapakurira vana vavo vakasuka
poto. Vakanditaurira kuti handitengi
chikafu vakati ndaidyei kwandaigara
ndisati ndauya pano zvandisinga
chatengi zvandiri pano. Ini pano
ndinofanana nekuti ndiri mwana ko
mbuya vakambodii?

Rimwe zuva ndakanzwa hasha


zvakanyanya ndikavaudza kuti musha
wambuya nasekuru uyu. Asi
vakanandibvunza kuti chikafu
chinotengwa nambuya nasekuru here?
Pandakati munhu anotenga chikafu
mukoma wamhamha vakati mukoma
wacho iyeye akaroora mhamha here?
Tjoo ndakaona kuti nyaya yacho
yakaoma apa ndinofanirwa kutenga
chikafu asi Kule havafanirwi kuziva
nezvanyaya iyi nekuti handidi kuti
vazorwa nenyaya yangu. Pano
handina kuvinga kuzoputsa musha
wevanhu
"Cousin uri kufungei kudaro?"
Tatenda akabvunza

"Hapana"

"Ayehwa pane zvinhu zviri kukunetsa


iwe"
"Baba havasi kudaira macalls angu"

"Haaa vape nguva vachava right uri


mwana wavo iwe uye vanokuda
vachakufonera kana vakuregerera"
"It's been a month now Tate asi
havafoni"

"Vachava right usazvinetsa iwe. Hona


urisei manje wadzikira muviri I'm sure
chero kuchikoro hauchakwanisi
kudzidza"
"Ndichava right"

"Unofanirwa kugadzira nyaya yako


naTafadzwa hazvingaiti kuti
udzingwe kumba nekuda kwake then
mobva maparadzana just like that"
"But nda......" Handina kupedza
kutaura

"What? wakadzingirwa mukomana


kumba kwenyu?" Mbuya vakabvunza
Handina kuvapindura

"Hazvisirizvo mhamha" Tatenda


akadaro

"Ndezvipi kana zvisirizvo?. Uri pano


nekuti wakadzingirwa chihure unoda
kuzodzidzisa mwana wangu chihure
haaa?" Mbuya vakabvunza

"Mommy please" Tatenda akadaro

"Hazvisirizvo mbuya"
"Ndezvipi manje? chii
chwakadzingirwa kumusha hausi
mwana here iwe?⁷ handiti unoudzwa
zvekuita hauiti zvaunoda" mbuya
vakadaro

Handina kuvapindura.
"Chinditeerera mwana sikana
pamusha pano panogara vana kwete
vakadzi vave kurarwa nevarume"
mbuya vakadaro

Ndakavhura maziso
"Tate achiri mhandara handidi
umudzidzise chihure chako
chekurara nevakomana" mbuya
vakadaro

"Mom Anenyasha achiri mhandara"


Tatenda akadaro
"Unofamba naye here nzira dzose
hoyo akashara mukomana than
family yake. Hapana munhu ane
pfungwa dzinoshanda angashara
mukomana waasina kurara naye.
Kule vako vanouya vanofanirwa
kuzviziva uvaudze nyaya yose kuti nei
wakabva kumba kwenyu" mbuya
vakadaro

"Mbuya hazvisirizvo please


ndokumbira musapinza Kule
munyaya iyi" ndakadaro misodzi yave
kuyerera

Mbuya vakatendeuka vachibuda


vachienda takatarisana naTate

"Unovaziva kuti mhamha varisei don't


worry baba vachakubeliever"
"Ndinoziva vachandinzwisisa"
ndakadaro ndichikwira pamubhedha
ndichiedza kuignore marwadzo ose
aya.

Ko ndichaiwana rinhi imba yekuti


ndilodge ndizvigarire ndega ayewa
kushungurudzwa ndaneta manje.
NaNgoni haasimo muHarare
akachinjwa basa akaendeswa
kumount Darwin, Mitchell ndanga
ndichagara naye kumba kwavo asi
hapana chinhu chandinovenga
sekugara kumaraini kunyanya kumba
kwegirlfriend yebrother yangu.

*ROLAND*
Aiva manheru pandaienda kunoona
Tafadzwa, pandaguma kutaura naye
pafoni anga asiri right ndakasvika
kumba kwake aiva akarara pasofa
akafuga gumbezi muviri wose
ndakashamisika ndichimumutsa

"Hey shaa"
"Uri kundimutsirei hauoni kuti
ndakarara"

"Chiiko newe uri kurwara?"


"Ayewa asi ndakangorara hangu"

"Hausi right iwe"

"Ndaona Ane"
"Wamuona kupi?"

"Kuchikoro chake"
"Zvino zvaunenge uri worried naye?"

"Shaaa ndiri worried haasisiri Ane


wandinoziva adzikira muviri"

Ndakashamisika. "Maybe
zvinokonzerwa nekuti akaparadzana
newe" ndakadaro

"Handisi shuwa neizvozvo asi zvinhu


zvandiri shuwa nazvo ndezvekuti
kwaari kugara haana kugara
zvakanaka. Akambondiudza kuti
mbuya vake vaimusvora nemari
yaiva yashaikwa pamwe now
zvawanda zvinhu zviri kuitika
pamusha paya"
"Yoooh zvazvakaoma nhai"

"Ndinofanirwa kunomutora agare


neni kana akaramba akadai achafoira
kuchikoro"
Zvichakadaro Prince akapinda

"Chii chiri kuitika pano?" Prince


akabvunza
"Uri kuglower mupfanha hoyo
muchinda wako ari kuchema"
ndakadaro tichimuseka

"Munopenga here" Tafadzwa akadaro

"I'm sorry bro but unofanirwa kutaura


naAne nekuti ndinoziva kuti anokuda"
ndakadaro

"Eyy guys musandishora pane izvi asi


ndave kubuda mugame manje"
Tafadzwa akadaro

Takavhunduka tose
"What?" Ndakabvunza

"Ndave kubuda" Tafadzwa akadaro


"Nekuda kwemusikana Tafadzwa?"
Prince akabvunza

"For Anenyasha I can do anything,


Anenyasha haaidi life yandiri
kurarama saka ndinofanirwa kusiya
then ndozoenda kunomutora"
Tafadzwa akadaro
Takatarisana naPrince

"Haunga chinjiswi zviiti nemusikana


Tafadzwa" Prince akadaro

"Ini ndiri kukunzwa wakashara


Anenyasha over your family saka
hazvingaiti kuti waita izvozvo rudo
rwenyu rwongopera just like that
hazvingaiti. Family chinhu
chakakosha zvakanyanya asi iwe
wakasarudza Anenyasha so kusiya
life iyi chinhu chakakosha kumunhu
waunoda" ndakadaro

"Yaaah ndakamuvimbisa kuti


ndichamufadza asi honai manje
mwana uyu asarudza ini over her
family baba vake so why ini ndiri
kutadza kusarudza iye over this kind
of life. Ndave kubuda mugame iri
manje ndichaita meeting" Tafadzwa
akadaro

"So ukasiya uchaita sei manje?"


Prince akabvunza

"Ndichaedza kunovanyengerera
kuchipatara ndidzokere" Tafadzwa
akadaro

"Good luck chero hazvo pachava


nemusiyano usisipo" ndakadaro

"Don't blame me blame Anenyasha


pazvinhu zvose izvi" Tafadzwa
akadaro takaseka

"But I'm proud of you Dude"


ndakadaro

"Nxaaa wave kundijairira manje"


Tafadzwa akadaro tichiseka
Hayi kubva zvandakatanga
kujairirana naTafadzwa handisati
ndambomuona akadai. Yaaah zviri
pachena kuti anomuda mwana uyu
aigara achitaura kuti hapana munhu
achamusiisa life iyi asi atokanganwa
mashoko ake manje nekuda
kwaAnenyasha. I wish pasava
nechinhu chinopindira murudo rwavo.
I wish kumba kwavo dai vanzwisisa
kuti vanodanana.
"Weee kubva wanyarara uri kufungei
manje?" Tafadzwa akabvunza

"Ayewa hapana" ndakadaro


Tafadzwa akadzungudza musoro

*Anenyasha*

Aiva manheru Kule vaibva kubasa asi


havana kumboteerera nyaya yavaiva
vaudzwa nambuya. I know pamusha
pano ndave kufanirwa kubva
hazvingaiti kuti ndisvike
ndiparadzanise family. Ndakaona
foni yangu ichirira ndakavhunduka
pandakaona ari Munya aifona asi
handifi ndakaidaira ari kudei kwandiri.
Pandakafonera baba havadairi then
ndobva ndave fonerwa nevanhu
vandisinei navo.
Ndakaenda muroom maKule sezvo
Tatenda anga ati vandidana ndichiri
padoor ndakanzwa mbuya vachiti

"Saka uchabvuma kuti mwana uyu


agare pano?"

"Mwana hausi kureva muzukuru


wangu here?"

"Unoda kuti mwana sikana wedu


afanane naye here naiyevo ave
against us asarudze mukomana over
us ndizvo zvaunoda here?"
"Nhai mai Tatenda ndiudze chii
chaakakuita Anenyasha kuti ubve
wamuvenga kudaro,
unomuvengereiko mwana wasisi
vangu? Unoziva uri kuti Tatenda
achashara mukomana over isu then
ini manje ndichashara Anenyasha
over iwe" Kule vakadaro nehasha

Ndakabata muromo
"What haungaiti zvinhu zvakadaro"

"Uchaona"
Ndakatendeuka nekuti ndakanzwa
sekunge Kule vari kubuda.
Ndakasvika muroom mangu
ndichitora foni ndichibuda
ndichifonera Tafadzwa.

"Anenyasha dzaTafadzwa" Tafadzwa


akadaro
"Ndinokumbira uuye kuzonditora
mangwana ndinoda kugara newe
Tafadzwa"

"Ndinokwanisa kuuya chero manje"


"Ayewa"

"Okay" Tafadzwa akadaro

Handisi kuzvi believer izvi asi


Tafadzwa ndiye ega munhu
wandinoziva muno muHarare
ndakabva ndaenda naKule vaiva
vakamira panze

"Kule"

Vakavhunduka. "Muzukuru kubva


wandivhutsa kudai" Kule vakadaro
ndakaseka
"Kule ndaiwana nzvimbo yekugara
ndinofanirwa kupinda mangwana"

Kule vakashamisika. "Shuwa here?"


"Ehe Kule ndafonerwa makuseni"

"Asi ndanga ndichiri kuda kugara


newe pano"
Ndakaseka. "Chero ini Kule asi
chikoro kune kure handinga dzidzi
zvakanaka kana ndichiswerera
kufamba kudai"

"Haaa uri kutaura chokwadi


muzukuru, unotaura kunge mai vako
chaivo naivowo vaigara vachidaro
kana vave kusada kugara pamba
chero zvikoro zvisati zvavhurwa"
Ndakaseka. "Saka muri kuti ndiri
kunyepa Kule?"

Kule vakaseka vachindiswededza


pedo navo vachindihaga
"Unoziva handifari nekuenda kwako
ndinokumbira undishanyire usaenda
zvamuchose"

"Ayewa Kule ndichauya"


Kule vakanyenwerera

¥ ¥ ¥ ¥ ¥ ¥

Makuseni ndakamuka ndichigeza


ndichigadzirira kuenda ndinoda
kuenda manje handidi kana kumirira
chero 1 minute ndiri pano pamusha.
Mbatya dzangu ndaiva
ndatodzirongedza Tafadzwa
andiudza kuti ari munzira. Ndakaona
Tate achimuka

"Cousin uri kuenda makuseni ano?"


"Please darling ndinofanirwa kuenda
makuseni ano"

"Okay I will miss you chommie and


ndave kuzobhoekana isisipo"
"Kana neniwo"

"Ndichakushanyira"

"Yoooh ndingafara. Ndave kufanirwa


kunoudza Kule kuti ndave kuenda"
ndakadaro ndichienda muroom mavo
ndakasvika ndichigogodza ndichibva
ndapinda mukati

"Muzukuru" Kule vakadaro

"Marara sei?"
"Zvakanaka muzukuru, kubva
wachena kudai kwakanaka?"

"Ndave kuenda Kule ndinoda kusvika


early"
"Aaah muzukuru wangu
ndichakufunga zvakanyanya"

"Ndichakushanyirai Kule"

"Ndiyo number yauri kushandisa


paecocash iyi?"

"Ehe Kule"

Kule vakamuka vachitora foni yavo


ndakaona mufoni mangu muchipinda
mari ndakavhunduka
"Kule mari yose iyi?"

"Utenge zvinhu zvaunoshota nazvo


muzukuru"
"Asi Kule mari iyi yakawanda yamuri
kundipa madii kupa Tatenda sezvo
naiyewo achitanga kuenda
kuuniversity muchabuditsa zve imwe
mushara nei?"

"Hausi mwana wangu here iwe?"


"Ndiri mwana wenyu Kule"

"Saka nei uchitaura uchidaro? Iwe


naTatenda muri kuenzana wani muri
vana vangu better ini ndife nenzara
pane kuti imi mufe nenzara"
"Ndinotenda Kule"

Takazotaura dzimwe nyaya ndichibva


ndaoneka ndichibuda ndichibva
ndabuda ndakasangana nambuya
"Musare mushe mbuya ndaiwana
nzvimbo yekugara ndave kuenda"

"Aaah wave kuenda makuseni ano?"


Mbuya vakabvunza

"Ehe ndinoda kukurumidza kusvika


ndinogadzirisa zvinhu pachine nguva"
"Okay ndichakufunga shuwa
muzukuru"

Nxaaa what a devil


"Neniwo mbuya" ndakadaro
ndichienda muroom maTatenda

Akandibatsira nemabag Tafadzwa


aiva atondisendera message achiti
ari outside. Takabuda nemabag
Tafadzwa akativhurira kuboot tichiisa
mabag
Tatenda aka knocker pawindow side
raiva na Tafadzwa

"Hee bamukuru murisei" Tatenda


akadaro
Ndakadzungudza musoro bamukuru
vani manje

"Aaah mainini murisei manga


makamubata zvakanaka here
mukadzi wangu" Tafadzwa akadaro
"Aaaa uyu here tanga takamubata
zvakanaka chete anga achinetsa
achiti ari kufunga murume wake"
Tatenda akadaro

Tatenda anopenga here

"Neniwo ndinozviziva ndanga


ndichimufangawo" Tafadzwa
akadaro

"Tate tave kuda kuenda" Ndakadaro

Tatenda akaseka tichihagana


"I will miss you guys" Tate akadaro

"Kana neniwo I will miss you"


ndakadaro
"Ndokumbira undishanyire neniwo
ndichakushanyira" Tatenda akadaro

"Okay don't worry" ndakadaro


ndichigara zvakanaka
Tafadzwa akanyemwerera

"Anenyashadza Tafadzwa"

"Hesi Tafadzwa"
"Hezvo nazvino uchiri
wakanditsamwira?"

"Tiri kuenda here kana kuti tichagara


pano?"
"Ehe tiri kuenda" Tafadzwa akadaro
achimutsa mota aingonditarisa

"Ummm you look beautiful my love"

Ndakangomutarisa
"Hmmm say something Ane"

"Ndave my love wako manje? hausi


riwe wakandiramba here?"
"Ndakakuramba? Aaaaa handizvizivi
ini"

"Nxaaa"

"Usanditaurira zvisipo mai Mushavi


nekuti inini handingaiti zvinhu
zvakadaro benzi chete ndiro
ringaramba munhu akanaka kudai"

"Unofunga kuti ndichagara kumba


kwako mahara here ndichabhadhara
rent"
"Shuwa here? shuu zvagara
ndakachona ndinoida mari"

"Uye handidyi newe ndichazvibikira"

"Asi roja rinobikira landlord nekuti


rimwe zuva uchamboshaya mari
yerent wononoka kubhadhara"
"Handingashayi mari yerent mukoma"

"Hezvo ndave Ngoni manje?"


"Handizivi asi zvandataura ndizvozvo"

"I love you but"

"Ko tikangonyarara nhai Tafadzwa"


"Takagumana kare saka tinofanirwa
kutaura"

Handina kumupindura takafamba


kusvika tasvika kumba kwake.
Ndakabuda mumota make achivhura
boot achitora baf rangu neniwo
ndakatora zvimwe zvanga zvasara
tichipinda mumba. Akatora bag rangu
achienda naro muroom make

"I need my room"

"Why?"
"Please Tafadzwa"

"Okay fine" Tafadzwa akadaro


achiendesa bag mune rimwe room.
*NARRATED*

Aiva masikati apo Mpume aiva busy


kuita pose paanogona kuitira kuti
mwana wake ave nani. Zveshuwa
Popo akatanga achirwara zvekuti dai
aiva atova nani. Asi dzimwe nguva
anova nani dzimwe nguva worse
"Mhamha handichazivi kuti ndiite sei
ini mwana wangu ari kufa uyu"
Mpume akadaro achichema

"Mwana mudiki kudai Mpume


unofanirwa kufonera vekwaZvayi
mwana uyu ari kufa"
"Mhamha mhamha" Popo akadaro
achichema achiumburuka
pamubhedha akabata dumbu

"Usachema mwanangu uchava nani


ndichakuendesa kuchipatara" Mpume
akadaro achitora mwana
achimumhanyisa kuchipatara namai
vake
"Ndichatarisa mwana fonera baba
vake" mai Mpume vakadaro

Zveshuwa Mpume akatora foni


achifonera Munya
"Munya ndiPopo zvamutanga futi
zvekurwadziwa tamuendesa
kuchipatara" Mpume akadaro

"Saka wanga usinga ndiudzi nei kuti


mwana wangu ari kurwara?" Munya
akabvunza
"Ndiri kukuudza wani nhai Munya"

"Wava kundiudza nekuti mwana


wangu ave kuchipatara?"
"Hayi mhani Munya mwana ari
kurwara iwe uri busy nezvako, mwana
ari kurwara zviri kwauri kuti unouya
kuchipatara here kana kuti kwete"
Mpume akadaro achikata foni

*TAFADZWA*
Ndaive ndakagara muroom mangu
ndichikufunga nezva Ane
handichazvidi zvekuti ndive distance
naye ndakaenda muroom maiva ari

"Ane"
"Hmmmm"

"Tinofanirwa kutaura hatinga gare


takadai"

"Taura"
"I love you so much"

"Oooh Tafadzwa"
"Ndasiya hupenyu hwandanga
ndichirarama just for you hazvingaite
kuti ndirasikirwe newe ndaona kuti
mari haisi chinhu kunze kwako"

Ane akanditarisa asinga ndibelieve

"Ndinoziva kuti haunga ndibelieve asi


ndiri kukuudza chokwadi babe
ndinoda kuti tirege kurwa tirarame
hupenyu hwedu"

Ane akanditarisa kwenguva yakareba

"Zvinhu zvauri kutaura ichokwadi


here?"
"Ehe ichokwadi babe"

"Asi iwe wakati haunga chinje nekuda


kwemusikana"
"Ehe ndakazvitaura izvo ndanga
ndisati ndava realiser kuti im nothing
without you"

"Usada kundinzwa Taffy"


"I promise you handisi kutamba newe
Ane"

"I love you Tafadzwa"

Ndakanyemwerera. "Unondida
zveshuwa?"

"Ndinokuda Tafadzwa naAnenyasha"

Ndakamuhaga. "Ndinokumbira tisiye


zvose zvatiri kuita tibehave sevanhu
vakuru manje. Nyaya yedu yekurwa
ini handichaidi"
"Ndinokuvimbisa ndave kubehaver
babe" Ndakadaro tichihagana
nekukisana

No handichakwanisi kurarama
nenzira yakadai ndave kufanirwa
kumuita mukadzi wangu.
*Mpumelelo*

Ndiri kutenderera pachipatara sezvo


mwana wangu ari pasituation iyi
naMunyawo haachasviki kuti aite
something. Ndaingopiswa newiwi
nonstop nekuda kwehana yairova
ndakaenda kuchimbuzi ndichiburitsa
foni yangu ndichifonera mai Munya
ndichivaudza kuti mwana ari
kuchipatara.

Ndakagara muchimbuzi ndichitya


kudzokera kuwaiting room ndakamira
ndichichema ndichifunga
nezvemwana wangu. Pandakatarisa
padoor ndakaona Munya,
ndakaswedera paari ndichida
kumuhaga . ndakanzwa kurerukirwa
ndakanzwa kunge pane zvinhu
zvaachaita kuti mwana wedu ave
nani.

I think munhu wese anozviita izvozvo.


Ndakaenda kwaari ndichimuhaga
ndichichema asi Munya akandibisa
paari achindirova negwati rembama
rakandidonhedza pasi.
Ndakavhunduka ndichishamisika tine
makore akawanda tichizivana
naMunya asi haana kumbobvira
akandirova akandisimudza zverough..
ndakapererwa nemashoko
ndisingazivi kuti ndoti kudii

"Chii chauri kuita hee? unondiudza


late kuti mwana wangu ari kurwara?"
Munya akabvunza
"Ndanga ndichi.......... Handina
kupedza kutaura Munya
akandipamha nerimwe gwati
rembama achinditsimbirira
pamadziro.

"Unondikuvadza Munyaradzi!!!!"
"Handina kukuudza here kuti handidi
kuti mwana wangu auye kumba
kwenyu?" Munya akadaro akandibata
muhuro

"I'm sorry Munya"

Paaida kundirova zve ndakanzwa


mafoot steps aiuya kwandiri akabva
andidhonzera paari achindihaga

"Please Mai Jay chirega kuchema


mwana achava right"

Takaona mhamha vakamira mberi


kwedu
"Madoctor ari kukutsvaga mwana
a........." Mhamha havana kupedza
ndakavhura maziso

"Mhamha mwana wangu arisei"


ndakadaro ndichimhanya ndichienda
kuward yaiva naPopo
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/IaPxzGw
aGkf5zG8xxOXgfY

*Vanoda from chapter 1 pindai umu


ȯǤȯǤȯǤ*
*ANENYASHA*

*Written by Makalulue*
*Edited by Ellena*

*Chapter 32*

*Mpumelelo*
Ndakamhanyira kuward sezvo ndaiva
ndisingazivi kuti chii chiri kuitika pana
Popo asi ndakazotura befu
pandakamuona akagara pedo
nambuya vake mai vaMunya pamwe
chete naMamoyo.

"Popo mwanangu uri right here?"


"Mhamha"

Ndakaswedera paari ndichimuhaga.


Munya naiyewo akapinda Popo
paakamuona akafara zvakanyanya
"Baba" Popo akadaro

Munya akaswedera pana Popo


achimuhaga.
"Mwanangu, musikana wangu
ndepapi paari kurwadza?" Munya
akabvunza

"Wava sei Popo ndepapi pari


kurwadza?" ndakabvunza
"Hapana pari kurwadza" Popo
akadaro

Zvichakadaro doctor akapinda

"Mwana wangu anei doctor?"


ndakabvunza
"Mwana tamutarisa asi hapana
zvatawana mudumbu make" doctor
akadaro

Ndakashamisika. "Hezvo
haungatiudzi kuti hapana zvamaona
pamwana iye anga achirwara" Munya
akadaro
"Munya haisi nzira yekutaura nevanhu
vakuru iyi. Zviri pachena kuti mwana
ari kurwariswa nevadzimu" Mamoyo
akadaro

Ndakavhunduka. "Vadzimu?"
Ndakavhunza
"Neniwo ndinoona sekudaro mwana
anga achifa uyu patabva kumba
hazvingaitiki kuti ave right manje"
mhamha vakadaro

"Ndakamuudza Mpume kuti mwana


wangu asenda kumba kwavo" Munya
akadaro

"Unorevei kana uchidaro unoda kuti


udza kuti mwana haachafanirwi
kunoona mai vake vakamubereka. Uri
kunzwa zvauri kutaura here Munya?"
Mamoyo akabvunza
"Ehe Munya wakanganisa ipapo" mai
Munya vakadaro

"Why baba musingade kuti


ndishanyire mhamha?" Popo
akabvunza

Aaah ndanga ndatokanganwa kuti tiri


kutaura zvinhu izvi mberi kwemwana
takabva tanyarara tose

"Imbozama kuzorora muzukuru


wangu" mhamha vakadaro

"Ini ndoda kugara nadaddy


namhamha" Popo akadaro
"Look my baby nda......." Munya
haana kupedza kutaura

"Ndinoda kuti tiende kumba tose


ndinoda kuona mukoma wangu Jay"
Popo akadaro
"Okay my baby uchaenda kunoona
mukoma wako" mhamha vakadaro

"Ndinoda kuenda namhamha


nadaddy ini" Popo akadaro
Ndakanzwa hasha.

"Portia unopenga here" ndakadaro


nehasha

"Hayi Mpume usatuka mwana wangu


uchidaro" Munya akadaro achigara
pedo naye

"Okay my baby tichaenda kuna


mukoma wako nhaika" Munya
akadaro

"Tichaenda namhamha hanty?" Popo


akabvunza achinyemwerera

"Ayewa mhamha vacha......." Munya


haana kupedza kutaura

"Ndinoda kuenda namhamha ini"


Popo akadaro
"Hamunga pikisi mwana zve"
Mamoyo akadaro

"Unoziva here kuti zvinhu zvakadii?


Unoziva here why achitaura
achidaro?" Mamoyo vakabvunza
"Okay torai iyi later yekubuda" doctor
akadaro

"Tinotenda" Mhamha vakadaro


Munya akatora Popo tichienda
kumota.

"Ndiri kuenda naye kumba" Munya


akadaro
"Mwana achandida Munya"
ndakadaro

"Ko ini haazondidi here?" Munya


akabvunza

Handina kumupindura
"Problem yenyu ndeyei imi mwana ari
kurwara imi muri busy kuparana
pano?" Mamoyo akabvunza

"Neniwo handizivi zveshuwa


chimbodzororai hasha pamwa
wenyu" mai Munya vakadaro
"Portia baby enda nadaddy ndichauya
kuzokuona okay" ndakadaro

"Ndinoda kuenda nemwi muri vaviri


mhamha nadaddy" Portia akadaro
"Please my baby ndichauya
mangwana kumba kwenyu"
ndakadaro

"Shuwa here?" Popo akabvunza


"Ehe" ndakadaro

Portia akafara ndakamuhaga


ndichimukisa pahuma tichinopinda
mumota namhamha
"Mhamha ndokumbira muchaire ini
handisi right" ndakadaro

Mhamha vakanditarisa vachipinda


mumota

"Chii chiri kuitika pakati pako


naMunya ndakuwanai kutoilet muri
right asi now mave kurwa?"

"Hapana mhamha"

"Haungati hapana hezvo chii chiri


pahuro pako, nei pakatsvuka?"
"Aaah haandizivi kuti chii ndazviona
makuseni pandamuka"

Ndingavaudza sei shuwa kuti


ndarohwa naMunya ndinga
varwadzisa zvakanyanya. Mwana
wavo umwe haasisipo panyika
nekuda kwemurume hoyo Munya aru
kuita zvose izvi. Chii chiri kuitika pana
Munya? Anga nditsamwira izvozvo
here pakusvika pakundirova. Munya
achinja ave imwe mhuka
yandisingazivi

"Uri kufungei nhai mwanangu?"


"Aaah zvenyika mhamha"

Mhamha vakadzungudza musoro

*ANENYASHA*
Ndakamuka makuseni musoro
uchirwadza kunge ndanga
ndichirohwa. Handiizivi shuwa kuti
nei ndakaneta kudai ndakaona
Tafadzwa pedo neni akafa nehope
ndakanyemwerera ndakamutarisa.
I'm happy kuti andiudza ave
kuzochinja hupenyu hwake. Woow I
can imagine ini naye tave murume
nemukadzi woow
Unoziva ndakatarisa Tafadzwa
ndinonzwa kuti ndiye murume
wandaigara ndichida kurarama naye
kwehupenyu hwangu hwose naye. He
is the chosen one in my heart
ndinomuda murume uyu.
Ndakamutarisa kusvika ndais ruoko
rwangu padama ndakamuona
achinyemwerera ndakatarisa paside
nekukurumidza

"Munhu haatariswi kudaro madam"


"Ndanga ndisina kutarisa munhu ini
ndanga ndakatarisa murume wangu"

"Murume wako?"
"Yes murume wangu uyu"

"Une shuwa kuti ndewako wega?"

Ndakaseka. "Handidi kuti tisvike


pakukurwira Mr Zvayi uri wangu
ndega. Kana ukangobhaiza uchaona
rimwe side rangu rausingazivi"

"Ndinoshuvira kuona side rako iroro


randisingazivi" Tafadzwa akadaro
achinyemwerera
"Haunga mborifariri ndinokuvimbisa
murume wangu"

"You're so beautiful wifey"

"Haaa"
"Unoziva Ane pauri kutaura
ndakangokuyeva chete haaa Ane
wakanaka, wakanaka chero uri
kuhope"

"Thanks Taffy newewo you're so


handsome unondiita kuti
ndikanganwe nezvevamwe
vakomana kuti havaexist munyika"
ndakadaro ndichi blusher

"Shuwa here?" Tafadzwa akabvunza

Ndakablusher zvakanyanya kudarika


pekutanga. Ndakablusher nemaziso
emusikanzwa . Akaedza kundikisa
asi ndakabva paari nekukurumidza

"What?"

"Hatisati takwesha mazino Taffy"


"So?"

"Muromo muri kunhuwa"

"No"
Ndakaseka ndichimusiya ndichienda
kubathroom ndichinogeza. Ndaigeza
ndichinyemwerera ndichingofunga
Taffy ndaiita kunge munhu ari
kutanga kupinda murudo. Ndapedza
kunogeza ndakaenda kunoita
breakfast yedu tiri vaviri.
I can imagine tave kuita breakfast
yevanhu vatatu ini naye nemwana
wedu iiii guys. Ndiri kufunga nevana
ndisati ndatomborara naye but
mazuva aswedera manje ndave
kufanirwa kumupa humhandara
hwangu. Ndinoziva kuti Tafadzwa
aneta nekurinda manje ndiri busy
kuita breakfast yangu ndakanzwa
munhu achindihaga achindibata
figure yangu ndakanyemwerera
achitanga kundikisa huro.
Ndakatanga kunzwa mabutterflies
achitamba mudumbu ndakanzwa
kunge ndichabhururuka ndinobata
denga pandinodzika pasi ndomupa
humhandara hwangu

"I love you babe"


"Thanks"

"Uri kubikei apa?"

"Breakfast iri normal"


"Unoona kuti ndave kufanirwa kukuita
mukadzi wangu"

Ndakaseka. "Unofanirwa
kukurumidza nekuti vachanditora
usinga fungire"
"Yoooh pangafiwa zve apa"

Ndakaseka Taffy achindibatsira


kutora chikafu chedu achinochiisa
patafura.
"Asi imba iyi idiki for vanhu vaviri"

"Neniwo ndizvo zvandanga


ndichifunga" ndakadaro tichiseka
tichidya chikafu chedu
Tapedza kudya ndakaenda kunosuka
ndiro ndinofanirwa kuverenga
mangwana kuchikoro. Ayyy gore
rinopera rinhi ndishande ndipedze
chikoro ndishande neniwo. Ndapedza
kusuka ndiro ndakaenda kunogeza
zvichakadaro Roe akapinda

"Urisei Ane"
"Ndiri right urisei iwe"

"Vari kupi boss wepamusha pano?"


"Ari kubedroom"

"Okay" Roe akadaro achienda kuna


Tafadzwa

After some minutes akauya


naTafadzwa, Roe akabata bag hombe
"Shoe tichaonana mangwana
makuseni" Taffy akadaro

"Okay" Roe akadaro achienda


Taffy akauya achigara pedo neni
ndaiva ndave kuona tv

"Uri kuonei pano?"


"Hapana ndangoibatidza chete"

Taffy akatora remote achivhura


bhora

"Aaah bhora rekare iri Taffy"


"Handina kuriona zve ini"

Ndakamutorera remote ndichiisa


music zvirinani tione mangoma pane
zvauri kuda kuti tione dai yanga iri
live ndainzwisisa.
"Ndichati kudii nekuti ndimi madam
vemumba muno"

Ndakaseka. "Okay ndinokumbira


udzikise volume pane zvinhu
zvandinoda kutaura newe
zvakakosha"
Ndakarohwa nehana. "Chii Taffy?"

"Mangwana tiri kuenda kumba


kwenyu"
Ndakamutarisa ndichishamisika.
"Kumba?"

"Ehe"

"Uri kunoitei?"
"Ndave kufanirwa kukuroora uite
mukadzi wangu. Ndogara newe pano
ndisina kukuroora zviri wrong izvi"

Ndakamutarisa nemaziso aiva


nemisodzi
"Ukurevesa, unozviita here?"

"Hapasisina nguva manje ndave kuda


kugara newe zviri pamutemo"
"Saka uchandiroora nemari
yekujingirisa?"

Tafadzwa akanditarisa
achishamisika

"Ayewa ndiri kubvunza Taffy kuti


uchandiroora nemari yemadrugs
here?"

"Ayy unoona manje" Taffy Akadaro


achisimuka achienda kubedroom
ndakamutevera

"Tafadzwa I'm sorry ndanga


ndichingobvunzawo hangu"
"Anenyasha ndinokuda zvakanyanya
uye wakakosha muhupenyu hwangu
saka handifungi kukuita zvinhu
zvakadaro . Hapana pandinga
kuroore nemari yehupenyu
hwandairarama kuti ndanga ndichiita
zvinhu zvose izvi hazvirevi kuti ndiyo
yega yandiinayo. Mari ndanga
ndichichengeta neiyi pay yangu
yekutanga yekuchipata handina
kumboishandisa"
"I'm sorry usatsanangura"

"Handifi ndakaita zvinhu zvakadaro


kwauri okay"
Ndakamuhaga. "Asi baba
vachabvuma here zvose izvi?"

"Vasire ini baba"


"Thanks Zvayi wangu" ndakadaro
tichihagana

*TAFADZWA*

Nguva dzaiva dzave Kuma 4 am taiva


tave kuenda kumusha neshamwari
dzangu kuti tinoroora Anenyasha.
Uye ndamusiya kumba nemusikana
waRoe naPrince. Takasvika kumba
kuma8 makuseni takamira pagedhi
rekwana Ane

"Shaa murume uyu haazobudi nepfuti


here akatipedza?" Roe akabvunza
Ndakaseka. "Siya hugwara mhani
iwe" ndakadaro

"Roe ari kutaura chokwadi" Prince


akadaro

"Anobva atoona kuti tinodherera


vanhu vakuru ndivo vanoroora kaa"
Lee akadaro

"Ini handina family saka vanhu vakuru


vacho ndovawanepi?"

"Ngatibudei mumota timbomira" Roe


akadaro
"Munin'ina wangu Ethan ari kuuya"
ndakadaro

"Okay" Roe akadaro


After some minutes Ethan akasvika.

"Taffy unoda kuzviita zveshuwa?"


Ethan akabvunza
"Pfutsek mhani" ndakadaro tichibuda
tichinonomira pagedhi rekwana Ane
tichitanga kupindisa

Ndakaona vaZhou vachibuda Roe


akatiza achimira kumashure kwedu.
VaZhou vakauya straight kwatiri
vakashamisika vachindiona
"Muri kudei pano imwi vapfanha
vekwaZvayi?" VaZhou vakabvunza

"Tauya kuzoroora baba pane ruva


rakatitora moyo" Ethan akadaro
"Hapana munhu acharoora Paida
pano" vaZhou vakadaro

"Ayewa baba tiri kureva Ane" Ethan


akadaro

"Handina mwana anonzi Ane ini"


vaZhou vakadaro
"Baba........." Handina kupedza
kutaura

"Vapfanha vekwaZvayi
munondidherera mutemo wenyu
munoutora kupi? Mabva kwamuri
kubva ikoko mukaona kuti regai
muuye kuzodherera musha
wekwaZhou!!!!. Musha wababa vangu
uyu!!!!!" vaZhou vakadaro nehasha

"Ayewa baba hazvisirizvo tiri pano


nekuti tauya kuzoita zvinhu zviri right.
Ndinomuda mwana wenyu
ndinomuda nemoyo wese saka
ndinokumbira kuti ndi........" Handina
kupedza kutaura
"Ndakakuudza kuti ndakupa mwana
iyeye kuti uite chero chii kwaari
handina basa handidi mari yako ini"
vaZhou vakadaro

Ndakaona mai vaAne vachiswedera


kwatiri asi vaZhou vakatendeuka
vachidhonza mukadzi wavo
vachipinda mumba.

"Ndazviona ini kuti hazviiti


tinofanirwa kuenda kumba tinotaura
nababa pamwe vachabvuma kuti
vakubhadharire roora" Ethan akadaro

"Forget" ndakadaro
"kana uchimuda Ane zveshuwa
uchaita zvinhu zvandiri kutaura,
besides pana bamukuru ndinoziva
kuti ivo vachabvuma" Ethan akadaro

"Ini ndinofunga kuti ari kutaura


chokwadi Ethan. For Anenyasha
unofanirwa kuzviita benzi" Roe
akadaro

"But......" Handina kupedza kutaura

"For Anenyasha you can do anything


bro" Prince akadaro
"Okay" ndakadaro tichipinda mumota

Asi ndaiziva kuti baba havanga


bvume zvose izvi chete
ndichangonozama. Munhu uya
anondivenga kwete zvekutamba
takasvika kumba
"Baba vako vasapisa mota yangu
kaa" Roe akadaro

Ndakaseka ndichipinda mukati


patakapinda ndakaona vamwe baba
vachibuda mumba pavakandiona
vakashamisika zvakanyanya
"Ndiye uyu bamukuru" Ethan akadaro

Baba vaya vakaswedera pandiri


vachishamisika ndakatarisa Ethan
"Sheunesu" baba vaya vakadaro

Ndakashamisika nezita iri


vakandiswededza pavari
vachindihaga. Ini ndaiva ndango
vhura maziso ko chii chiri kuitika
pano. Vaiva vandiita kuti kwati kwati
vanondizivira kupi ini. Vanonzi
vakaenda kujeri ini ndine gore rimwe
chete. Ndakavatarisa nekushamisika

"Sheunesu" baba ava vakadaro

Ndakatarisa Ethan. "Handizi


sheunesu ini zita rangu ndinonzi
Tafadzwa" ndakadaro
Vakanditarisa vachishamisika
zvichakadaro mhamha vakabudikira
vakashamisika pavakandiona

"Tafadzwa" mhamha vakadaro


vachiswedera pandiri
Vaingova emotional so she is my
mother I know vanondida sei
vakandihaga

"Pinda mwanangu uri right?" Mhamha


vakabvunza
"Ndiri mupenyu ndiri right" ndakadaro
ndichitarisa bamukuru ndakapererwa.

Yes vakura kudai asi vanoonekwa


kuti vane kahugeven'a mavari uye nei
vachifanana neni kudai. Ayy asi
naJay anofanana neni wani asi
mwana wamukoma wangu ndiko
saka achiita emotional kana
achindiona. Ko zvino zita rekuti
sheunesu vari tora kupi

"Ngatipindei mumba vanangu"


Mamoyo vakadaro vachitarisa Roe
naPrince

"Murisei vanangu" Mamoyo vakadaro


"Tiri right mhamha" Roe akadaro

"Ngatipindei mumba" Mhamha


vakadaro vachitarisa bamukuru
neziso reruvengo
Ayy apa ndini ndega benzi asi Jesu
kana bamukuru vakangopinza baba
munzira iri right vanenge vandigonera.
Takapinda mumba takaita dhuma
dhuma nababa vachibuda mumba
vakashamisika vachindiona asi
hapana zvavakataura ndakaona
vachitarisana nemukoma wavo
hapana zvavachandiita handiti
mukoma wavo aripo here takapinda
mukati
"Tafadzwa" mhamha vakadaro
vachindihaga

"Makadii mhamha" ndakadaro


"Ndiri right zvino kubva waenda kana
kumbotarisa kumashure?" Mhamha
vakabvunza

"Ndavepo manje mhamha"


ndakadaro ndichigara pasofa
"Regai ndikuitirei chikafu ndinoziva
kuti mune nzara" Mamoyo akadaro
vachienda

After some minutes vakauya


nechikafu vachiisa mberi kwedu

"Tinotenda" takadaro tose


neshamwari dzangu

"Baba vako vari padoor vadongorere


hatidi kuzoona nemota yave
kupfungaira hutsi vave kupisa mota
yangu" Roe akadaro

Ndakaseka. "Uri benzi iwe" ndakadaro


ndichiseka

"Zvino nhai mukadzi wemukoma nei


mukomana asingazivi zita rake rekuti
Sheunesu?" Bamukuru vakabvunza

Ndakatarisa mhamha.
"NdiTafadzwa uyu haasi Sheunesu"
mhamha vakadaro

"Zita iri ndakamupa nerudo wani"


bamukuru vakadaro
"Enda unopa mwana wako zita iroro
kwete wangu" mhamha vakadaro
vachisimuka vachienda

"Okay chii chiri kuita pano, ini


Sheunesu?" Ndakabvunza
"Ehe ndakakupa zita iri
uchangozvarwa asi mai vako havana
kurifarira" bamukuru vakadaro

Ndinoziva kuti baba ndivo vasina kuri


bvuma zita iri asi rakanaka
ndinorifarira" ndakadaro
"Shuwa here?" Bamukuru vakabvunza

"Ehe ndinorifarira ini" ndakadaro

"Ndaiti ndiwe waifanirwa


nehumambo kusvika ndakupa zita iri
Sheunesu hushehunesu" bamukuru
vakadaro

"Mambo Tafadzwa ayy bamukuru ayy


musatamba muchidaro Tafadzwa
mambo" Roe akadaro achiseka
"Chiiko newe" ndakadaro

"Ko arisei?" Bamukuru vakabvunza

"Aaah hapana asi Tafadzwa mambo


haa hazviiti" Roe akadaro
achingoseka
Takadya chikafu chedu tichibva
ndaenda muroom mangu Jay
paakandiona akamhanya achiuya
kwandiri

"Superstar" Jay akadaro achindihaga


"My champion" ndakadaro

"Hauchadi kundifonera kaa Superstar?


Jay akadaro
"Unoziva ndinogara ndiri busy my
Champion ndikosaka ndaikufonera
apo neapo"

"Asi mauya kaa pamba pave


kuzonakidza manje"
Ndakamutora tiichienda muroom
mangu. Takagara pamubhedha

"Jay boy enda unotamba pane zvinhu


zvandinoda kutaura nabamunini
vako" Ethan akadaro

Jay akabuda achienda


"Tafadzwa mwana uyu kubva
afanana newe kudaro?" Roe
akabvunza

"Ndewe kwedu hanti anofanirwa


kufanana neni. Neniwo hanti unoona
kuti ndinofanana naZvayi muhombe"
ndakadaro
"Tinofanirwa kuvakumbira
tichavaudza nyaya yako yekuroora"
Ethan akadaro

"Vachabvuma here?" Ndakabvunza


"Ndinoona sekudaro" Ethan akadaro
achienda achinovakumbira

Ayy ini handingataure nemunhu


wandisina kujaira ndichamutangira
papi naiyewo achabva aona kuti
ndinomujairira nekumuona
nekutokumbira rubatsiro. After some
minutes vakauya

"Ndanzwa kuti uri kundikumbira


mwanangu" bamukuru vakadaro

"Handizivi kuti ndinofanirwa kutangira


papi asi ndinokumbirawo rubatsiro
rwenyu" ndakadaro
"Chero chii mwanangu" bamukuru
vakadaro

Ndakavaudza nyaya yose yaiitika I


mean everything vakanditarisa
vachishamisika.
"Hezvo ko kusavapo pamusha pano
inyaya yekuti Obert anga
achikushungurudza?" Bamukuru
vakabvunza

"Bamukuru ndinomuda mwana uyu


family ino neyekumba kwavo haidi
kutipa makomborero" ndakadaro
"Ndavapo ini zvinhu zvose
zvichafamba mushe kana uchimuda
zveshuwa zvinhu zvose zvichaitika
nekuda kwak uchamuroora chete"
bamukuru vakadaro

Ndakashamisika" Shuwa here?"


Ndakabvunza

"Sezvo ndichikuudza mwanangu"


bamukuru vakadaro

"Asi nababa vaAne havadi


kugamuchira roora" ndakadaro
"Siira ini zvose izvo mangwana chaiye
kuchinoedza tiri kunoroora. Ari kupi
musikana wacho?" Bamukuru
vakabvunza

"Ari kuHarare" ndakadaro


"Anofanirwa kuvapo kana
achiroorwa" bamukuru vakadaro

"Ndichataura naye asi anenge


achiverenga masikati sezvo ava
pedo kunyora matest" ndakadaro
"Saka zvinoreva kuti anouya kumba
kwavo neweekend?" Bamukuru
vakabvunza

"Ndinotenda zvakanyanya
ndichataura naye" ndakadaro
"Okay chirega ndiende ini" bamukuru
vakadaro

Ndakasimuka ndichivakwazisa.

"Once again im thankful" ndakadaro


"Chero chii ndinokuitira mwanangu"
bamukuru vakadaro

*Narrated*

Shingi aipupuma furo nehasha


akaenda Kuna Mambo achinobvunza
nezvenyaya ya Tafadzwa

"Nei uchipinda kunge uri kupinda


mumba mako?"

"Itsvina yeyi yandiri kunzwa? Nei


maishungurudza mwana wangu?"
"Mwana wako iyeye unoziva here kuti
aidyei? Unoziva here kuti akakura
SEI?"

"Handina basa nazvo izvo ini. Dai


ndisina kuenda kujeri dai ndichiziva
zvose asi hanti makandinyima
mukana wekurera mwana wangu?
Makatadza chero kushandisa Zita
rake. Sheunesu "
"Mwana wako iyeye waunodada naye
achakugamuchira here paachaziva
kuti wakamuwana sei?"

"Mwana wangu Sheu Saka


musazvinetsa nezvakawanda. Kana
akangopedza kuroora ndichamuudza
zvose"
Mambo vakashamisika

"Kuroora?"

",Ehe ari kuroora musikana wekwa


Zvayi"
"Hazviitiki izvo"

"Zvichaitika mwana wangu acharoora


munhu waanoda kwete anodiwa
newe"

"Mwana iyeye aiva akamboroorwa


pano"
"Vakarambana hanti?"

"Hazvina zvazvinoreva izvo"

"Wangu mwana ari kuroora musikana


waanoda uchida usingadi. Baba vake
vavapo zvinhu zvose zvaanoda
achazviwana. " Shingi akadaro
achibuda

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/IaPxzGw
aGkf5zG8xxOXgfY
*Vanoda from chapter pindai umu ȯ
ǤȯǤȯǤ*

*ANENYASHA*

*Written by Makalulue*
*Edited by Ellena*

*Chapter 33*
*Narrated*

Mai Munya vari kuenda kuna Munya


sezvo vachifanirwa kun'anga

"Munya why usati wave ready?" mai


Munya vakabvunza
"Ready yei mhamha?" Munya
akabvunza

"Handiti unoziva tinofanirwa kuenda


kuti tinonzwa kuti chii chiri kuitika
pamwana"
'"Popo ave nani manje"

"Haasi right Popo zvango nyarara


chete mwana ari kurwara asi iwe uri
kungoita zvinhu zvako. Manje simuka
ugadzirire tiende naMpume
ndamufonera ati ave ready'
"Nei tichifanirwa kuenda naMpume?"

"Mpume havasi mai vaPopo here?


Usada kupenga iwe Munyaradzi.
Chero chingava chii chinoita kuti
uvenge Mpume nenzira yakadaro asi
musapinza vana munyaya dzenyu
vana vanoda mai vavo"
"Okay mhamha ndave kugadzirira"

Mai Munya vakabuda vachienda


kukitchen vakasangana naTafadzwa
"Mhamha pane zvinhu zvandinoda
kuti tutaure nezvazvo" Taffy akadaro

"Chii ichocho?" Mai Munya


vakabvunza
"Tell me more about bamukuru"

Mai Munya vakavhunduka


vachishamiswa naTafadzwa kuti nei
achibvunza mubvunzo wakadaro
"Ndinovazivira kupi ini handiti
mukoma wababa vako saka handizivi
chinhu nezvavo ini"

"Asi munofanirwa kuti dai muchiziva


mhamha. Vaiva vakasungirwei?"

Mai Munya vakaridza tsamwa.


"Iwe Tafadzwa unondipengera iwe"

"Ayewa mhamha bamukuru


vanoonekwa kuti munhu ari right
ndiko saka ndichibvunza jeri harina
kuvafita"
"Usapamha zve kundibvunza
mubvunzo iwowo"

"Nei musina kundiudza nezvezita


ravakandipa rekuti Sheunesu?"
"Siya kupenga iwe Tafadzwa"

"Ayewa mhamha ndinoda kuziva kuti


chii chiri kuitika pamusha pano nei
munhu wese achiratidza kuti haadi
bamukuru pamusha pano. Why
muchi actor do mberi kwavo kana
kuti zvinokonzerwa nekuti bamukuru
havatti Zvayi boss wenyu?"
"Tafadzwa wave kubuda munzira
manje murume wangu iyeye wauri
kutaura uchidaro"

"Oooh sorry mhamha hakusi kuti ndiri


kudherera asi ndanga
ndichingobvunza chete. Endererai
henyu mberi nerwendo rwenyu"
Tafadzwa akadaro achienda

Mai vake vakasara vakatsamwa


vasingazivi kuti vaite sei.
Vaizvibvunza kuti Tafadzwa ave
kuziva here kuti Shingi ndibaba vake
vechokwadi vaizvipindura vega uko
vachirohwa nehana kuti chii
chichaitika kana Tafadzwa akaziva
nyaya yose kuti chii chaitika kusvika
ave panyika
¥ ¥ ¥ ¥ ¥

Shingi ari kuenda kumba kwana Ane


kuti anotaura navaZhou nenyaya
yevana. Akasvika achipindisa panze
vaZhou vakabuda vachivhurira Shingi
achibva apinda mukati
VaZhou vakashamisika nekuti
vanoziva Shingi ari mujeri. Vakapinda
mumba asi vaZhou vaiva vari
confused vaizvibvunza kuti Zvayi
muhombe aivingei pamusha pake.

"Mhukahuru" Shingi akadaro


"Zvayi" vaZhou vakadaro

"Ndinoziva kuti uri kuzvibvunza


uchishaya mhinduro kuti nei ndiri
pano"
"Waita seuri kuziva ndizvo chaizvo"

"Ayy handina kuuya nehondo asi


ndauya nenyaya dzinonakidza
VaZhou vakashamisika

"Mupfanha uyu Tafadzwa andiudza


zvose zvaitika"

"Anodherera mupfanha uyu akatanga


nekuita kuti mwana wangu ashare iye
kudarika ini. Mushure meizvozvo ave
kuuya pamusha pano achindicherera"
"Awu awu Mhukahuru ruregerero
ipapo mwana akakurwadzisa chaizvo.
Asi unoziva kuti vechidiki vedu ava
varisei"

"Vana ava havana respect


vanotinyadzisa shem"
"Mhukahuru unofanirwa kuziva kuti
generation yamanje haifanani nesu.
Havafi vakarama hupenyu
hwairaramiwa kare vana vanoratidza
kuti vanodanana zveshuwa. Ini
chandiri kuda chete kuti uvape
makomborero"
"Makomborero?"

"Ehe Mhukahuru makomborero


mukomana anomuda mwana wako
zvakanyanya futi. Uye nemwana
wako anomuda zvakanyanya futi"
"Mukomana wauri kutaura nezvake
munin'ina wemukomana aiva
akaroora musikana wauri kutaura
nezvake. Hauone kuti zvinonyadzisa
here izvozvo Zvayi?"

"Asi unoziva wani kuti mwana wako


paya akamanikidzwa kuti aroore
Munyaradzi. Makamanikidza mwana
kuti aroorwe kasi mazvikanganwa
izvozvi nei musingasiye mwana
aroorwe nemunhu waanoda"
"Zvinonyadzisa izvi zvinoda kuitwa
nevana ava"

"Hauone here kuti zvinga zonyadzisa


worse kuti vana vachaye mapoto
vanhu vachati kudii vachinzwa kuti
mwana wako ari kuchaya mapoto"
"Anenyasha haasiri mwana wangu"

"Kwauri haasiri mwana wako asi


kuvanhu vanoziva ari mwana wako
zvese zvaanoita zvakashata
zvinongonzi mwana wekwaZhou.
Unoziva ini dai ndiri iwe dai ndichiita
zvinhu zviri right nyaya iyi itaurwe kuti
mwana wako aroorwe naTafadzwa
pane kuti achaye mapoto"

VaZhou vakanyarara

"Ndinoziva kuti zvose izvi zvauri kuita


uri kutya mambo wenyu asi manje
ndauya pachigaro changu"
"Zvayi mudiki haangabvume nyaya
iyi"

"Iwewe uri kufungira Zvayi kana kuti


mwana wako? Mufaro wemwana
wako wakakosha kudarika Zvayi"
VaZhou havana kupindura

"Paweekend tiri kuuya kuzoroora


ndinotenda" Shingi akadaro
achisimuka achienda
Zhou akasara achizvibvunza
mibvunzo yakawanda zvichakadaro
mukadzi wake akauya achigara pedo
navo

"Zvayi muhombe ari kutaura


chokwadi baba, tinofanirwa kupa
vana makomborero uye unofanirwa
kumubvumira kuti adzoke kumba Ane
zvinhu zvamakaita baba zvekudzinga
mwana zvinhu zvinotinyadzisa
padunhu" mai Sarah vakadaro
vachipinda pakitchen

*TAFADZWA*

Ndaiva ndakamira pasi pemuti


ndichataura nemudiwa wangu
ndichimuudza kuti bamukuru vari
kundibatsira kunoroora.
Zvichakadaro ndakaona bamukuru
vachipinda

"Tafadzwa naAnenyasha
tichazotaura havo bamukuru vari
kupinda kubva kumbwa kwenyu
kunotaura nababa vako ndinoda
kunzwa kuti vafamba sei" ndakadaro
"Eyy ndinoshuvira kuti dai vabvuma"

"Okay ndichakufonera kana ndataura


navo"

"Bye I love you"


"I love you more mamas" ndakadaro
ndichikata foni ndichinyemwerera.
Ndakanzwa munhu achitaura

"Neniwo ndichiri jaya ndaiva


ndisingabatiki" bamukuru vakadaro
ndakaseka
"Nemiwo bamukuru?"

"Ehe handiti ndiri bamukuru vako zviri


possible zvekuti uite zvinhu zvaiitwa
neni"
"Apa tinofanana"

"Ehe ndazvionawo"
"Ko imi sei makasiyana nemunin'ina
wenyu?"

"Aaah inini zvimutemo zvavi


zvekupenga kubva kare ndaiva
ndisinga zvibvumi ini ndairarama
hupenyu hunodiwa neni hapana
aindiudza zvekuita"
"Yaaah ndiri kuzviona manje.
Mafamba sei kwaZhou?"

"Sununguka iwe weekend tiri


kunoroora Mandlovu"
Ndakanyemwerera. "Shuwa here?'

"Sezvo ndichikuudza mwanangu"

Ndakavahaga. "Ndinotenda Zvayi


muhombe munoziva kuti masvika
pano makaita zvinhu zvangu kuti
zvive nyore"
"Hawu rega ndipinde mukati nditaure
naObert"

"Ndinotenda"
Bamukuru vakapinda mukati
ndichibva ndafonera Ane
ndichimuudza good news

"We are getting married" ndakadaro


ndakamunzwa achi screamer
nemufaro
"For real ooh my God I don't believe
this Tafadzwa kuti ndave kuzorarama
hupenyu hwangu hwose newe"

"Neniwo babe ini newe tave


kuzotanga family yedu"
"Thank you so much wandiita munhu
pavanhu kunze kwako I'm nothing"

"Bamukuru ndivo vaita zvose izvi"

"I wish kuvaona ndivatende" Ane


akadaro achiseka

"Chii?"

"I'm just saying lover of my life


ndovatangira kupi?"
"Dai uchiziva kuti vane moyo
wakanaka sei havafanani naZvayi
waunoziva" ndakadaro tichiseka

"Havo mhamha kune kwavanga


vaenda saka ndoda kuziva kuti
vafamba sei "
"Bye tichazotaura"

"Okay Tafadzwa naAnenyasha"


ndakadaro ndichikata foni
ndichipinda mukati kwaiva nevanhu
vose
"Mafamba sei?" Baba vakabvunza

"Tafamba zvakanaka baba" mhamha


vakadaro
"Ndoda kuziva kuti mwana anzi ari
kunzwei?" Baba vakabvunza

"Baba hanzi mwana anoda vabereki


vake vari vaviri sezvo vasiri
panzvimbo imwe chete ndizvo
zvinomurwarisa uye nevadzimu vari
kuchema kuti nei muroora wekutanga
pamusha pano akabva ivo vane
vatatu" mhamha vakadaro
"Zvinhu zvose izvi hazvishandi"
Munya akadaro

"Munyaradzi unoda kubvuma


nekuona mwana ave mucoffin here?"
Mhamha vakabvunza
"Munyaradzi" baba vakadaro

"Baba" Munya akadaro

"Unofanirwa kunotora mukadzi wako"


baba vakadaro

Munya akanyarara

"Aaah pamusha pano pane drama asi


ini ndakuvigirai good news"
bamukuru vakadaro
Ndakanyemwerera

"Taura tinzwe" baba vakadaro

"Svondo rino tiri kunoroora kwaZhou"


bamukuru vakadaro

"Kunoroora?" Munya akabvunza

"Ehe tiri kunoroora musikana ari


kudiwa naTafadzwa" bamukuru
vakadaro
"Hazvifi zvakaitika izvo Anenyasha
mukadzi wangu" Munyaradzi akadaro

"Anenyasha mukadzi wangu kwete


wako" Tafadzwa akadaro
"Ini naAnenyasha hatina kumbobvira
taparadzana mapaper edivorce achiri
pano achiri mukadzi wangu" Munya
akadaro

"Hayi ndiri kukunzwa mpfana


waObert saka chiendesa ka
mapaper iwayo kucourt wakamirirei
nekuti mukadzi wauri kurwira ndewa
Sheunesu wako ari munzira kuuya
hapana barika pamusha pano
zvakaguma naObert chete" bamukuru
vakadaro

"Ndaka......" Munya haana kupedza


kutaura
"Enda kumukadzi wako uko usiyane
nevana vadiki Obert zvichakubatsira
kuti utaure nemwana wako agadzirire
nyaya dzake nekuti ikazopindirwa
neni panomama munhu" bamukuru
vakadaro vachibuda vachienda

*Anenyasha*
Nhasi mugovera ndinofanirwa
kuenda kumba. Tafadzwa
akandiudza nyaya yose handizivi
baba kuti vachati kudii kwandiri
despite ndiri kufamba nevanhu. What
if havadi munhu pamba pavo ndiri
kufamba nacousin Tatenda, Vee,
musikana waRoe pamwe naSaru
musikana waPrince.
Takasvika mota yaRoe iri pagedhi
maiva naTafadzwa mukati sezvo aiva
atichingamidza

"My love are you scared?" Taffy


akabvunza

"What if baba vasingandide pamusha


pavo?" ndakabvunza

"Hakuna izvozvo babe baba vako


vanokuda zvakanyanya"

"Ndinoziva kuti Kule havangaiti


zvinhu zvakadaro ngatipindei mukati"
Tate akadaro
"Roe!!!" Vee akadaro

"Aaah siyanana naRoe hauna


kuvinga Roe pano" ndakadaro
"Haa iwe siyana nemukadzi wangu"
Roe akadaro

Takabuda mumota tichida kuenda


"Kana zvichinzi zvinhu zvaoma
mufone vasikana vedu mungauraiwa"
Prince akadaro

"Asi baba vakanzi vanouraya vanhu?"


ndakabvunza tichiseka zvedu

Takapinda mukati tichiri pagedhi


Paida akationa akamhanya achiuya
kwatiri kuzondihaga

"Yooh long time" Paida akadaro

"Haaa newewo handina kana gore"


ndakadaro
"Zuva rimwe igore kwandiri. Makadii"
Paida akadaro achivahaga vose

"Urisei" Vee akadaro


"Haaa Tatenda ndatokanganwa ini ko
uripo newewo. Ndanga
ndatokanganwa kuti kune munhu
akafanana newe ko sei usinga
tishanyirewo?" Paida akabvunza

"Yoooh ndinozvarwa nevamwe mai


ini" Tate akadaro
"Aaaah aaah ungati mbuya vanga
rambe kuti ushanye kuno here.
Zvatichapedza nyaya dzose
ngatipindei mumba" Paida akadaro

"Vari kupi baba?" ndakabvunza


"Baba havapo vaenda kubasa" Paida
akadaro

"Okay" ndakadaro
"Pana mhamha" Paida akadaro

"Oooh vakazouya?" ndakabvunza

"Yes darling" Paida akadaro


tichipinda mumba
Mhamha pavakandiona vakafara
zvisingaite vakatigamuchira
zvakanaka. Takanoisa mabag edu
muroom mangu

"Vamwe muchasiya mabag muno


mumwe achauya muroom mangu
hamunga kwane mose muno" Paida
akadaro
"Yaaah uri kutaura chokwadi"
ndakadaro

"Ini hangu ndokumbira kuenda kuna


Paida" Saru akadaro
"No problem darling" Paida akadaro
vachienda kuroom. Ini nevamwe
takasara muroom mangu

"Ini ndakaneta ndikare tichifamba'


ndakadaro
"Yoooh neniwo ndinoda kumbogeza
ndoda shower chaiyo" Tatenda
akadaro

"Iya zve Tatenda watokanganwa kuti


kuno kumusha here unogezera
mubhavhu asi ihombe bhavhu racho"
ndakadaro
"Uuuu nzvimbo yekwenyu yakanaka
iyi" Vee akadaro

"Yaaah unofanirwa kuuya kuzovaka


kuno naRoe umuudze" ndakadaro
"Heee pano pane mutemo
yakawandisa handinga igone ini" Vee
akadaro

"Uchatevedzera mutemo wacho"


ndakadaro ndichiseka
"Ndiudze saka iwe wakaroorwa
uchauya kuzogara kuno here?" Vee
akabvunza

"Ayewa ndichagara kumba


kwaTafadzwa kuHarare handingava
full time house wife ini ndinenge ndiri
rich muroora" ndakadaro tichiseka
"Family yekwana Tafadzwa
vachazvibvuma here?" Vee
akabvunza

"Vanofanirwa kuzvibvuma nekuti


ndinenge ndachata naTafadzwa. Dai
vachindida ndanga ndichagara ikoko
what is the use yekugara ikoko
vasingandidi ndinofanirwa kugara
nemunhu anondida" ndakadaro

"Yaaa uri kutaura chokwadi cousin


pano ayewa haungazvigoni" Tatenda
akadaro

Zvichakadaro ndakanzwa mota


yaidhuma. Heee imota yababa iyi I
wonder chii chichaitika, mhamha
vakauya kuzotidana kuti chikafu
chave right. Takaenda kunodyirwa

"Sunungukai vana vangu idyai henyu"


mhamha vakadaro

"Ndinotenda mhamha" ndakadaro


Takatanga kudya chikafu chedu baba
vachibva vapinda. Baba
vakashamisika vachindiona havana
kana kumbondimhorosa vakananga
muroom mavo neniwo ndakanyarara
zviri pachena kuti havasati
vandiregerera
"Usazvinetsa navo vachava right"
mhamha vakadaro

"Yaaah mhamha vari kutaura


chokwadi" Paida akadaro
Handina kumbozvifunga kuti
relationship yangu nababa ichasvika
pakadai. Tapedza kudya takaenda
kunosuka ndiro

"Haaa baba vako vanotyisa yooooh"


Vee akadaro
"Hakuna zvakadaro kutsamwa chete
asi havanga nditsamwire kusvika
kumagumo kaa" ndakadaro

"Yoooh Chommie baba vako ndivo


vanoita izvi kwauri?" Tatenda
akabvunza
"Maybe havadi kundiona ndichifara"
ndakadaro misodzi yave kuda
kuyerera

Ndainzwa kuda kuchema asi


ndakazvidzora ndakazoenda muroom
mangu sezvo misodzi yaiva yave
kubuda vakanditevera vaVee
pavakaona ndichichema
"Chirega kuchema zvichapfuura izvi"
Vee akadaro

"Nei baba vangu vachindidaro inini


ndinofanirwa kugara ndisiri happy
nekuri ndofanirwa kufadza ivo?"
ndakabvunza
"Unoziva hazvisi rizvo Ane" Paida
akadaro

"Ndizvo nei vachindi shungurudza


kudai?" ndakabvunza
"Dzora moyo he is adult babes
ndinoziva kuti uri kurwadziwa kana
naivowo vari kurwadziwa chete
munhu mukuru. Unoziva
vakuregerera just like that
uchapamha kuita mistake nekuti
unenge uchiziva kuti
vachakuregerera" Saru akadaro

"Ipi mistake yandakaita ini?"


ndakabvunza
"Kuenda naTafadzwa baba vako
munhu mukuru havaikurega uchirara
musango pavakakudzinga" Saru
akadaro

Ndakapukuta misodzi
"That's my girl" Paida akadaro

"Tinofanirwa kunoshopa remember"


ndakadaro
"Kunoshopei?" Paida akabvunza

"Chikafu chevanhu mangwana vari


kuuya" ndakadaro

"Unofunga kuti tingangogara chete


here takamirira iye tatenga kare isu
namhamha" Paida akadaro
"Okay thanks, thank you guys ndanga
ndichifunga kuti baba havanga
bvume" ndakadaro

"Aaah ndivo vatotipa mari yacho


yekunotenga" Paida akadaro
Ndakanyemwerera. "Zveshuwa here?"
ndakabvunza

"Yes darling" Paida akadaro


"Handizivi ndivatange sei kutaura
navo" ndakadaro

"Don't worry vachachilla havo" Paida


akadaro
"Chinhu chinondirwadza ndechekuti
Ngoni haapo" ndakadaro

"Andifonera akati achasvika nhasi


husiku" Paida akadaro

"Saka nei anga achindiita benzi achiti


haasviki?" ndakabvunza
"Handizivi neniwo iye andiudza kuti
anenge aripo" Paida akadaro

"Ndichamuona kana auya" ndakadaro


Ndakanzwa mhamha vachindidana
ndakabva ndaenda kwavari

*MPUME*
Hapana chinhu chandisingaiti for
vana vangu, ndakadzokera kwaZvayi
nekuti n'anga yakanyatsozvitaura kuti
ndikasadzokera pano buda chitunha
chete. Saka better ndishungurudzike
pane kuti ndishaikirwe nemwana
wangu. Tiri kukitchen tiri kubika
naMadei

"Uri right?" Maidei akabvunza


"Yaaah ndiri right" ndakadaro

"Kana usinganzwi mushe enda hako


ndichasara ndichibika"
"Hazvingaiti kuti ubikire vanhu vose
ava beside handisi kurwara"

"Okay if you say so"

Ndakabvuma
"Madrama ese epamusha pano
ndinoshuvira kuti dai akapera kare"
Maidei akadaro

Ndakaseka. "Handifungi kuti


achapera ini" ndakadaro
ndichienderera mberi nekubika
kusvika tapedza
Takabva tapakurira munhu wese apo
vanhu vacho vakawanda pamusha
pano. Worse futi pane shamwari
dzaTaffy, munhu wese akauya
kuzodya tapedza kudya ndakaenda
kunosuka ndiro naMaidei. Tapedza
ndakaenda kubedroom ndakawana
Munya akamira akaisa maoko
muchiuno kunge pane zvinhu zvaari
kutarisa
"Pane zvinhu zvauri kutarisa here?"
Ndakabvunza

"Ndiri kuda tauro rangu rekugeza"


Ndakaenda kunoritora pandaiva
ndariisa

"Iri"

"Waritorerei pandanga ndakariisa?"


"Ndanga ndichi cleaner saka ranga
risina kugara zvakanaka"

"Iroom yangu iyi haundiudziri


nezvinhu zvangu kuti zvakagara sei"
"I'm sorry handina kuzviita nekuti
ndanga ndichida kukutsamwisa"

"Problem yako Mpume uri useless


kwawanga uchigara hakuna varume
here vaungadanana navo pamwe
ungasiyana neni"
Mashoko aya akandirwadza
zvakanyanya. Varume havanga
nzwisisi isu vakadzi nesuwo kuti
tinorwadziwa zvinhu zvandiri kuita
handisi kuitira ini kana ani asi ndiri
kuitira mwana wangu hupenyu hwake
huri munjodzi. Ndakanyarara
ndichibva ndanogara pamubhedha.

Akatendeuka achibva aenda


kunogeza. Zvichakadaro foni yake
yakarira handina kumboiguma
unoiziva ziso zvariri. After some
minutes akauya kuzogeza

"Foni yako yanga ichirira"

"Ndiani ati bata foni yangu?"


"Handina kumboibata yanga ichirira
chete"

Akanditarisa nerimwe ziso achibva


atora foni. Ndakakurura hembe yangu
ndichizvibata kumashure kwairwadza
paandirova makuseni achindirova
kuti nei ndisina kudaira paanga
achindidana apo handina
kumbomunzwa apo ndikabva pano
hupenyu hwemwana wangu uri
munjodzi. Ndakapinda
mumagumbezi ndichibva ndarara

*Anenyasha*
Moyo wangu hausi right sezvo baba
kubva zvandauya Havana kumbobvira
vataura neni. Ndakamuka ndichienda
mu room ma ngoni sezvo auya
husiku takarara

Ndakamuwana atomuka.
Takamhorosana tichihagana.
Akazondiudza kuti Mitchy ane
pamuviri pane 4 months naiyevo Ari
kugadzirira kunoroora woow what a
good news
"Ane hausi right chii?"

Baba havanditaudzi kubva


zvandauya"

"Siyana na baba tichavaona avo


nhaso izuva rako congratulation
twiny" ngoni akadaro tichihagana

Rega ndinogeza ini vanhu vachasvika


ndisati ndambodii" ndakadaro
ndichibuda ndichinogeza.

Minutes later ndakanzwa noise panze.


Vanhu vekwa Zvayi vaiva vatosvika.
Wow i don't believe this. Ini
anenyasha ndava kuzoita mukadzi
wemunhu wandinoda. Zvichakadaro
foni yangu yakapinda message aiva
Tafadzwa

*Outside the gate wifey asi mumota


nekuti ndatya kupinda ini*

Ndaka blusher ndichirova smile . Ini


Anenyasha. Ndiani aiziva kuti zuva iri
richasvika

*Book redu rave kuenda kumagumo


few chapters left kuti ripere*

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/IaPxzGw
aGkf5zG8xxOXgfY
*from chapter 1 pindai umu ȯǤȯ
ǤȯǤ*

*ANENYASHA*
*Written by: Makalulue*

*Edited: by Ellena*

*Chapter 34*
*Anenyasha*

Yooh handisi kuzvi believer zvinhu


zvose izvi ini naTafadzwa soon tiri
kuchata. I can imagine ndave mrs
Tafadzwa Zvayi. Ndakaona ana baba
vake vachipinda mumba
ndakanyemwerera ndakavatarisa
"Woow congratulations" Tate
Akadaro

"Ndiri kunzwa kunge ndiri kurota"


ndakadaro
"Hauroti zvinhu zviri kuitika
zveshuwa" Vee akadaro

Zvichakadaro Paida akabudikira


"Ane uri kudanwa mumba' Paida
akadaro

Ndakavhura maziso. "Why?"


Ndakabvunza

"Handiziviwo neniwo hanzi


ndikudane" Paida akadaro
Vakandigadzira ndakaenda
ndakapfeka dress rinosvika
kumakumbo chaiko. Ndichibva
ndaenda ikoko ndakasvika
ndichigwadama pasi apo ndainzwa
kunyara. Ndinoiziva family yekwana
Munya yakadii chimwe chinhu Munya
aivapowo ndinoshuvira kuziva kuti
vabereki vake vari kuti neni.
Asi handina basa nazvo izvo ini
ndoda Tafadzwa chete, handingarege
kumuda nekuti vamwe vanhu vari kuti
havadi tive pamwe chete ndaneta ini
nekuita zvinhu zvinofadza vamwe
vanhu

"Ndiwe Anenyasha?" Vamwe baba


vakabvunza
"Ehe ndini baba" ndakadaro
ndakatarisa pasi ndichitarisa baba
ava ndichibirira ndakaona
vachinyemwerera

"Rega Sheunesu apenge newe kudai"


bamukuru vakadaro
"Ndiani manje anonzi Sheunesu?"
ndakabvunza

"Oooh Sheunesu ndiTafadzwa ndiri


kuona wave confused" bamukuru
vakadaro
Oooh woow what a name nei
Tafadzwa asina kumbondiudza nezve
zita iri.

"Ndakudana pano nekuti ndanga


ndichida kukuona handidi zve kuti
tiroore munhu wandisingazivi"
bamukuru vakadaro
Ndakabvuma ndakatarisa pasi

"Yaaah chienda hako muroora wangu'


bamukuru vakadaro
Ndakabuda ndichinyemwerera.
Zvichakadaro ndakaona message
yaTaffy achindidana kumota
ndakaenda ndichinyahwaira
ndichinobuda gedhi ndichipinda
mumota. Pandakangopinda mumota
yakava wabata wabata tichikisana

"Mukadzi wangu" Taffy akadaro


"Sheunesu wangu"

Akanditarisa achishamisika

"Ndanzwa nabamukuru vako sei


usina kundiudza nezve zita rakanaka
kudai?"

"Neniwo ndanga ndisingazivi


ndanzwa ndave kudanwa naro
naZvayi muhombe hanzi ndiye
akandipa iroro"
"Woow what a name babe"

"Handizivi kuti mhamha nababa nei


vasina kuriisa pachitupa changu"

Ndakamuseka" Sorry'
"Uri kundiseka mukadzi wangu"

Ndakanyemwerera. "Thank you thank


you nezvose zvawandiitira Sheunesu
pavanhu vose vechikadzi panzvimbo
ino, America, Harare different places
dzawaifamba dzine vasikana even
masocial media asi you choose me
am grateful my love"

"Ndine luck yekuwana munhu


akafanana newe babe ruva rmoyo
wangu" akadaro tichihagana

"Ndave kufanirwa kudzokera mukati I


think vachasara vachinditsvaga"
"Handina kutenga doro ini rawati
nditenge ndabva ndaita busy kana
vapedza ndichakutora tinotenga"

"Okay mudiwa no problem"


ndakadaro tichikisana ndichibva
ndadzokera mukati
Pandakapinda magirls aipakura.
Yoooh vandibatsira zvakanyanya
vasikana ava

"Woow wave kubva kunowana tsvodi


kaa?" Tatenda akabvunza
"Hauna kupidigurwa here!" Paida
akabvunza
Ndakaseka.

"Ko handiti murume wangu here"


"Kwete mumota yemukomana wangu
haaa" Vee akadaro ndakaseka

"Nesuwo tichatenga mota yedu"


ndakadaro
"Shem my sister" Paida akadaro
tichiseka

Vachibva vaendesa chikafu paiva


nemajuice nechikafu chakasiyana
siyana. Pavanhu vekwana Tafadzwa
ini ndakaendesera mudiwa wangu
chikafu
Mufaro uri pandiri hautaurike
abhadhara zvinhu zvose zvinodiwa
hapana kana chimwe chasara.
Manheru Tafadzwa akauya
achinditora kuti tinotenga doro redu
takasvika pane rimwe bhawa
tikatenga takaenda nekushop
tinkatenga zvinhu zvinonaka tapedza
tave kudzokera kumba takaona
munhu aimisa mota. Ndakavhunduka
pandakaona ari Dee aimbova
musikana waTafadzwa hameno kana
vachiri kudanana.
Mota hadzichafambi fambi manje
ndinoziva kuti Tafadzwa achamutora
chete ndakamutarisa naiyewo
achibva anditarisa ndakaita sendisiri
kuona zviri kuitika. Mota yaRoe
ndedziya mota dziri tinted zvekuti
kana uri panze hauone zviri mukati
asi vari mukati vanoona zviri kunze.
So nesuwo taimuona Dee asi iye aiva
asingationi
Tafadzwa akadzikisa window achibva
amudana achipinda mukati. Dee
akavhunduka paakaona ari Tafadzwa
paakada kuvhura mberi akandiona
ndakagara pamother seat akabva
anogara kumashure

"Makadii" Dee akadaro


"Hey" Tafadzwa akadaro

Ndakanyarara kunge ndisinganzwe


hangu
"Hezvo ndanga ndisingaone kuti
ndimi" Dee akadaro

"Ndini Dee uri kubvepi nemabag?'


Tafadzwa akabvunza

Aiva akabata mabag kunge kune


kwaashanya
"Pane kwndiri kubva hangu" Dee
akadaro

"Okay" Taffy akadaro


Mumota makamboita runyararo
Tafadzwa akanditarisa akandiona
kuti handisisipo pano. Nzira yaienda
kwana De yaidarika nekumba kwedu
saka anofanirwa kutanga anondisiya
kumba kwedu ozoenda kwana Dee
never izvi hazviitiki. Tafadzwa
akasvika achimisa mota kumba
"Tasvika" Tafadzwa akadaro

"Ayewa ndichakuperekedza uendese


Bee kumba kwavo" ndakadaro

Tafadzwa akanditarisa
achishamisika achibvuma nemusoro
"Okay" Tafadzwa akadaro achimutsa
mota tichienda kwana Bee

Takasvika kwana Bee achitenda


akaburuka Tafadzwa akamutsa mota
achinditarisa
"Chii?" Ndakabvunza

"Igodo here iro?"


"Iwe wanga uchida kuti ndikusiye
uchienda nemunhu waunodanana
naye here?"

"Ex"

"Ehe izvozvo"
"Asi haundivimbi?"

"Ndinokuvimba asi musikana uyu


handimuvimbi chero padiki zvapo"
Tafadzwa akaseka tichienda kumba

*Nompumelelo*

Ndiri kuona kuti pano ndichapedzisira


ndafa sezvakaitika pana Bridget
nekuti ndikaramba ndiri pano ndinofa
chete. Ndinofanirwa kunorara kune
rimwe room handingazvigone.
Ndakarogedza mbatya dzangu
ndichibva ndadziendesa kune imwe
room kwaiva kwasviba asi Munya
haasati adzoka. Vaenda naTafadzwa
kunoroora vapedza kare asi iye
haapo.

Ndinoshuvira kuziva kuti anonzwa sei


nenyaya yose iyi. Ndakapinda
mumagumbezi Popo andisiya ndega
achienda kuna mbuya vake ndakabva
ndarara. Ndakarara kudaro Munya
akandifonera ndichibva ndadaira

"Uri kupi?"
"Ndiri muguest room"

"Okay"

After some minutes ndakanzwa


munhu achigogodza ndakaenda
kunovhura
"Ooooh wave kurara muno manje?"

"Ehe ndanga ndichida kukupa space"


"Ndamboti ndinoda space here ini?"

Handina kumupindura

"Ndiri kutaura newe"


"Munya ndanga..........." Handina
kupedza kutaura ndakanzwa
nembama kumeso kwangu
ndakasimuka nekukurumidza

"Munyaradzi'
"Unoda mhamha vafunge kuti
ndakudzinga kubedroom kwangu
here" Munya akadaro nehasha

"Aewa Munya hazvisirizvo"


"Ndezvipi manje?"

Ndakavhunduka pandaida kuenda


ndakanzwa nechinhu chaindirova
muchiuno yaiva simbi yaaiva
anhonga akanditema nayo

"Munya please I'm sorry"


"F*ck you uri useless tora mbatya
dzako udzidzosere kuroom uko"

Ndakatora mbatya ndichidzidzosera


muroom make misodzi ichiyerera
*TAFADZWA*

Makuseni ndakamuka ndakaneta


shoo munhu amwa doro
zvakanyanya saka ndakaneta kudai.
Dai takachata kare naAne dai ari iye
ari kundinesa manje asi ndiri
kuzvionera. Ndakamuka ndichienda
kukitchen ndichinochera mvura
inotonhora ndapedza ndakaenda
muroom maZvayi ndaida
kunomutenda handina kuzomutenda
zvakanaka nezuro.

Pandaiva ndave kupinda mukati


ndakazvibata nekuti ndainzwa baba
naZvayi vachirwa
"Zvinhu zvawaita ndezvekupenga iwe
Shingi" baba vakadaro

"Usandiudza kuti ndezvekupenga


ndaita zvinhu zvichafadza mwana
wangu" bamukuru vakadaro
"Wabuda kujeri kuzokanganisa zvinhu
pano"

",Kuita zvinhu zvakanaka pamwana


wangu kukanganisa here? Nei iwe
uchida kuita zvinhu zvinofadza vana
vako chete asi ini kana ndichiita
zvinhu zvinofadza mwana wangu
haufare nazvo"
Ndakashamisika ndiani manje
mwana ari kutaurwa nezvake uyu
wabamukuru Zvayi

"Sheunesu mwana wangu saka


ndadzoka ndiri baba vake
ndichamuitira zvose zvaanoda"
Ndakanzwa kupera simba
ndakadikitira muviri wese. Vanorevei
bamukuru kana vachiti mwana
wangu, hayi mhani chii chiri kuitika
pano

"Ndicha.........." bamukuru havana


kuzopedza kutaura
"Bamukuru" ndakadaro

Vose vakavhunduka pandakapinda


"Bamkuru muri kutaura nezvei ndiani
mwana wenyu? ndakabvunza vose
vakanditarisa vachishamisika

"Taurai" ndakadaro
"Ehe ichokwadi handisi baba vako
avo baba vako mbavha murapist uyu
chigeven'a sewe ndivo baba vako
vanokuzvara avo" baba vakadaro

"What?" Ndakabvunza
ndichishamisika handisi kuinzwisisa
nyaya yandiri kuudzwa pano
"Mati kudii kwandiri?" ndakabvunza

"Dzora moyo mwanangu nditaure"


bamukuru vakadaro

"Chii chatinofanirwa kutaura?"


ndakabvunza ndichitaurira pamusoro
nekuti zvinhu zvaiva vataura handina
kuzvinzwisisa

Zvichakadaro Maidei akapinda auya


kuzotidana kuti breakfast yave ready
ndakatendeuka nekukurumidza
ndakaona mhamha vakagara
patafura munhu wese aiva avapo
"Tafadzwa chii chiri kuitika?"
mhamha vakabvunza

"Ndinoda chokwadi mhamha"


ndakadaro
"Chokwadi chei?"

"Ndiani baba vangu?"

Munhu wese akashamisika you can


tell kuti hapana zvaanoziva.
Zvichakadaro Zvayi nabamukuru
vakabudikira

"Ndiani baba vangu pakati pevarume


ava vaviri?" Ndakabvunza
ndichivatendeka

Ndakaona mhamha vachibvunda


"Bvunza uyu" Zvayi vakadaro
vachitendeka bamukuru

"Ndiri kubvunza munhu akanditakura


9 months. Mhamha ndinoda
chokwadi" ndakadaro
"Unopenga here iwe mupfanha
hauvazivi here baba vako" Munya
akadaro

"Taffy, Munya ari kutaura chokwadi


nei uchibvunza mubvunzo
wakadaro?" Ethan akabvunza
Mhamha vakavhara maziso.
"Ichokwadi chawanzwa" mhamha
vakadaro

Ndakavhunduka zvakanyanya
ndichitarisa Zvayi nabamukuru
"Mhamha ichokwadi?" Munya
akabvunza

"Tafadzwa anozvarwa naShingi ndivo


baba vake vechokwadi" mhamha
vakadaro
"What?" Munya naTicha vakabvunza
nguva imwe chete

"Ayy ayy mhamha musatura zvinhu


zvisipo handiti ndakambokubvunzai
kuti Zvayi ndibaba vangu vechokwadi
here mukati ndivo manje nei
muchitaura zvinhu zvisipo?"
ndakabvunza
"Mai vako vari kutaura chokwadi"
bamkuru vakadaro

"Mhamha zvakaitika sei nekuti ini


ndiri muhombe kuna Taffy?" Munya
akabvunza
Mhamha vakatanga kuchema

"Ndiregerere mwanangu" bamukuru


vakadaro

Ndakaona Roe naPrince vachiuya


kwandiri for support handizivi kuti
ndinzwe sei panyaya yose iyi. Izvo
zvakamboitika sei

"Maiguru chii chiri kuitika?" Ticha


akabvunza

"Akandi repa Shingi" mhamha


vakadaro vachichema

Ndakavhura maziso

"What?" ndakabvunza
"Ehe ndizvo chaizvo mwanangu"
mhamha vakadaro

"So I'm product of rape?"


ndakabvunza
"Ayewa hazvisi......." Bamukuru
havana kupedza kutaura

"Nei bamukuru makaita zvinhu


zvakadaro?"

"Kwaiva kare mwanangu ndakaita


ndichiri........" Bamukuru havana
kupedza kutaura

"Ndinoda kuziva kuti makaitirei


zvinhu zvakadaro?" ndakabvunza

"Now I see like father like son newevo


wakaita zvinhu zvakaitwa nababa
vako kutora mukadzi wemukoma
wako" Munya akadaro

Ndakanzwa hasha zvekuti ndaida


kumudira chibhakera asi
ndakazvidzora

"Ane haasi mukadzi wako uri


kundinzwa!! siya zvinhu zvekudana
Ane uchiti mukadzi wako. Shingi nei
wakaita zvinhu zvakadaro kuna
mhamha nei wakarepa mhamha?"
ndakabvunza

Bamukuru vakatora befu.


"Ndiregerere mwanangu asi zvinhu
zvakaitika izvi handitozivi kuti
zvakaitika sei? Musi wazvakaitika
ndaifanirwa kugadzikwa pachigaro
chehumambo saka ndaka decider
kumbo buda ndichipemberera
nemadzikoma angu.

Asi zvinhu hazvina kuzofamba


nenzira yandaiva ndaronga nayo.
Handizivi chii chakaitika
ndakangonzwawo ndave kunzi
ndakareba" bamukuru vakadaro
vachivhara maziso
"Saka ini ndakauya nenzira yakadaro
panyika ino ndakauya panyika ino
nemistake?" ndakabvunza

"Mwanangu usataura uchidaro iwe


unondifadza" mhamha vakadaro
"Hazvisirizvo mwanangu" bamukuru
vakadaro

"Hazvisirizvo saka ndezvipi? Nei


musina kundiuraya nguva yose iyi
ndiri kurarama hupenyu hwekunyeba
Zvayi aindishungurudza nekuti aiziva
kuti handisi mwana wake" ndakadaro
nehasha
"Hazvisirizvo mwanangu" mhamha
vakadaro

"Why muchidaro kwandiri mhamha,


why musina kundiudza nezvenyaya
yose iyi?" ndakabvunza
Mhamha havana kupindura

"Nei makandinyebera, nei maiva


musingadi kundiudza chokwadi,
Shingi waiva wakasungirwei?"
ndakabvunza

"Hey bro calm down please" Ethan


akadaro

"Calm down yei ndichirarama


hupenyu hwekunyepa?
Ndakanyeperwa ini pamusha pano"
ndakadaro nehasha ndichitendeuka
ndichienda muroom mangu
Ndakasvika ndichitora makey emota
yaRoe ndichibuda panze
ndichinopinda mumota vachibva
vanditevera

"Tafadzwa iwe" Roe akadaro

Handina nguva yekuteerera munhu


manje ndinoda kumbofurwa
nemhepo zvishoma kuva pedo
nefamily iyi parizvino handidi.
Ndakamutsa mota ndichiirova
ndakananga kutown hameno
zvichaitika kutown kwacho

*Anenyasha*
Taiva takagara tichidya breakfast
ndaingotarisa goni tanguy. Kubva
zvakwaedza Tafadzwa haana
kumbofina.its unlike him. Ndakaedza
kumufonera asi yaiva isingapindi.

Ndakatanga kuva worried zvekuti


Tatenda akatozondibvuza. Argg
maan nei Tafadzwa achindidzidzisa
zvinhu zvaasingazoiti. Ndakabva
ndafonera Roe akadaira
"Hey Roe ndinokumbira kutaura na
Taffy"

"Parizvino haapo pandiri?"

"Ari kupi?"
"Atora mota akabuda hatizivi kuti
aenda kupi?"

"Chaira fast please handidi chinhu


chichawira Tafadzwa" ndakanzwa
izwi Ra Ethan richitaura.
Ndakavhunduka ndichisimuka
"Roe chii chaitika Pana Taffy?"

"It's long story Ane, Taffy abuda


nemota haasi right nesuwo hatizivi
kwaaenda tiri kutsvaga iye asi
usawara tinomuwana"

"Please Roe "


"Okay ndichaku updater everything "
Roe akadaro tichionekana ndichibva
ndakata foni. Vanhu vose
vakanditarisa

"Chii Ane?" Paida akabvunza

"Tafadzwa hanzi abuda asiri right


hapana anoziva kwaaenda. Vana Roe
vari kumutsvaga "
"Ahh don't worry Ane vanomuwana".

"What if pachizoitika something Pana


Taffy"

",Chill Ane vanomuwana please "


Paida akadaro
Ndakagara pasi asi pfungwa dzaiva
dzava Kuna Taffy. Ndakaedza
kumufonera zve foni yakapinda asi
yaiva isingadairwi

"Damn!!! Daira foni Tafadzwa!!!"

Ndakaramba ndichingofona asi yaiva


isingadairwi

*Roland*

Tamutsvaga nzvimbo yose Tafadzwa


asi tasvika pakuneta manje.
"Tafadzwa Ari kupiko?" Ethan
akabvunza

"Tafadzwa anopenga chete ohh rega


ndibvunze kuti mota iri kupi?"
Ndakadaro ndichitora foni
ndichikumbira vanditarisire kuti mota
iri kupi. After some minutes
vakandifonera vachindiudza kwairi
"Hanzii" prince akabvunza

"Hanzi mota iri muno mu town"

"Asi tatsvaga town yose wani" Prince


akadaro
"Wamukanganwa here Tafadzwa?
Obvious paari akatihwandira"

Ndakatarisa location yainzi Ina Taffy


ndikaiwana. Ukuvo Anenyasha
aingondifonera. Aewa handidairi
kusvika ndamuwana Tafadzwa
Takadungamidzana tichienda pane
rimwe bhawa. Mota yaiva yakavigwa
pane imwe passage. Takamuwana
akagara mberi kwake kwakazara
mabhodhoro edoro

"Tafadzwa!!" Ndakadaro
"Muri kudei pano?" Taffy akabvunza
nezwi Raiva rakadhakwa

"Tafadzwa hande kumba hona zvauri


manje"

"Kumba kwani? Ini handina musha


panzvimbo ino. Siyanai neni ndi
enjoye"
Takaswedera paari tichimubata.
Akamboedza kurwisa asi aiva
akapera nedoro takamupinza
mumota nesuwo tichipinda mumota
tichienda kumuzinda

*Nompumelelo*
Ndairongedza mbatya dzandawacha
masikati. Munya aiva akagara pa bed
achingopukuta pfuti. I'm scared what
if akandipfura nayo pfuti iyoyo nekuti
handitombozivi kuti ndeyeyi

"Mupfana uyu akatodza baba vake


shame"
Ndaingomutarisa ndiri alert,
paanongonditendeka nayo bara
richandiwana munzira. I wish to know
kuti pfuti iyi anoda kuita sei nayo .
Ndaiita sendisingamunzwi paaitaura
ega

"Ko nei vabereki vachidaro nhai?


Mpume"

Ndakadaira same time. Yoo ko


ndingazorohwa zve. Mazuva ano
Munya handimunzwisisu. Nyaya diki
unongokaruka warohwa

"Newevo ungaita here zvinhu zvaitwa


nevabereki?"

Ndakangomutarisa nekuti ndaiva


ndisinganzwi kwaienda nyaya
"Hanti ndiri kutaura newe here?"

"Handisi kukunzwa Munya"

"Newevo unganyarara here if


kuchinzu mwana haasi wangu?"
Ndakavhura maziso Munya
haachandivimbi here? Nei
achindibvunza zvinhu zvakadaro?

"Handizivi kuti ndikupindure sei


Munya. Vana ava vari vaviri ndevako"
"Aewa ndanga ndichingobvunzawo
hangu"

Handina kumupindura ndakaita


zvinhu zvandaiita

*Okay guys zvichemo zvenyu


ndazvinzwa ndatadza kukupindurai
mose ku inbox. Kune vari kuti book
rakurumidza kupera okay book ranga
rine nyaya ya Anenyasha chete saka
now hapasisina zvatinganyora Pana
Anenyasha coz aroorwa but anyway
chichemo chenyu ndachigamuchira
ndichajingirisa dzimwe Ane na
Tafadzwa vachapinda apo neapo
havo asi yavo nyaya yapera*

*Kune vari kuti vanoda session two


okay sezvandambotaura storyline
yapera hayo but I will write new book
then ndozobatanidza kumberi
storyline ya Anenyasha ndiyo ichava
session two but not now kana
Anenyasha rapera*

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/IaPxzGw
aGkf5zG8xxOXgfY

*From chapter 1 pindai umu EǥE


ǥEǥ*

*Anenyasha*

*Written by Makalulue*

*Chapter 35*
.

*Tafadzwa*

Ndakamuka makuseni muviri wangu


wese uchirwadza. Handizivi kuti
kubhawa riya ndabuda rinhi Iko pano
ndasvika sei. Kana kuri kurara
handitauri. Ndarara kunge Munya
aisirwa drug rekuti asarara na Ane.
Ndakamuka ndichitora Amsteel
yangu. Chinhu chandinoda kufurwa
nemhepo ndimbozorora ma drama
epamusha pano . Pandaiva ndave
kubuda ndakasangana na mhamha
pa door.

"Mwanangu dzora moyo kani"

"Mhamha ndinoda kumbofurwa


nemhepo please"

"Aewa zve nhai Taffy tinofanirwa


kutaura"

"Ini handidi kutaura asi ndinoda


kumbofurwa nemhepo" ndakadaro
ndichibuda gedhi ndichifamba
ndichitevera nzira yaienda kurwizi.
I think ndiyo nzvimbo yandingawana
peace. Kuri kufefetera mhepo
inotonhorera. Hapana munhu
achange achingoti Tafadzwa this
Tafadzwa that. Ndinoda kuziva kuti
kana zvinhu zvakadai ini ndakamira
papi manje.ndakagara padombo
ndichiyeva mvura yaiyerera uku
ndichimwa doro rangu. Ndainzwa
kunge ndiri kunyika yangu ndega.
Ndainzwa kunge munhu wese
andisiya. Ndangosara ndiri ndega.
Shiri dzaingotsviriridza kunge dziri
kundivhairira. Dzaibhururuka
dzichimhara kunge nhasi izuva
rekisimusi yadzo. But why vabereki
vangu vakandidaro?

Kunyanya mhamha . Nei vasina


kundiudza nyaya iyi? Vairega murume
uya achindishungurudza? Ndaimwa
doro asi dumbu rangu rairira nenzara.
But I'm not ready kunotarisana be
family iya. Foni yangu yakarira aiva
aiva Ane ndakaidaira

"Sheunesu"

"Anenyasha" ndakadaro nezwi raiva


rakaneta
"Uri kupi Tafadzwa?"

"Kurwizi ndiri kufurwa nemhepo huya


undijoyine kana uchida"

"Okay ndiri kuuya"


"Undivigire chikafu ndinenzara"

"Okay ndinosvika manje" ndakadaro


tichioneka

Ndakaenderera mberi nedoro rangu.


After some minutes Ane akasvika.
Akaswedera pandiri achindihaga.
Pandakamuona ndakanzwa
kurerukirwa kunge mutoro wanga uri
pandiri wabva

"Taffy uri right?"

"I'm fine babe"


"Ndakuvigira chikafu hanti wati une
nzara?" Ane akadaro achivhura
lunchbox

"Haa drink Ane?" Ndakabvunza


ndichiseka
"Iwe sei uchimwa usina kudya?"

Handina kumupindura ndakatora


chikafu ndichidya. Naiyevo haana
zvaakataura kusvika ndapedza kudya

"Ko drink?"
"Babe yangu drink iyi" ndakadaro
ndichitendeka doro

"Chii chaitika Taffy?"

Ndakamuudza nyaya yose, naiyevo


akati kanha nazvo.
"Haa Taffy nyaya yose iyi"

"Ndizvo zviripo babe"

"I'm sorry babe I know zvinorwadza


but unofanirwa kuva strong" Ane
akadaro achindihaga..
"I wish ndabva hangu pamusha paya.
"

"No babe usataura uchidaro.


Remember soon muchato wedu so
we need ma blessings avo"

"I wish dai ndisina kumbobvuma


rubatsiro rwemurume uya"

"Usataura uchidaro babe akatibatsira"

"Aiva asingabatsiri asi aizviitira kuti


kana chokwadi chobuda
ndisamutsamwira"
"No babe unofanirwa kumuregerera
munhu uya ndi baba vako"

"Baba vangu? Handina baba ini"

"Taffy ndi baba vako. He deserve


second chance munhu wese anoita
ma mistakes wesi doro unoziva
rinokuitisa chero chii"
"Unorevei kana uchiti doro rinokuitisa
chero chii?"..

"Unoziva chii chakaitika Pana Bridget


nekuda kwedoro?"
"Zvakasiyana na Bridget
takabvumirana zvino iye akarepa
mhamha"

"Ndiri kukunzwa babe but please


calm down zvakadarika. Kutsamwa
hakuna zvakuchachinja please babe"

"I'm not ready for that"


"Are you okay?"

"I will be fine babe"

"I love you " Ane akadaro achindihaga


"I love you more"

"Nhasi ndanga ndichifanirwa


kudzokera ku Harare nekuti
ndofanirwa kuenda kuchikoro "

"Tiri kuenda manheru na Roe


tichaenda tose"
"Zvinoita here kuti uende?"

"Pano ndanga ndaunzwa nenyaya


Yako Saka ndapedza ndichadzoka
tave kuchata"

"Okay"
*Narrated*

Shingi aiva mu room make achifunga


zvinhu zvaiva zvaitika zvichakadaro
Mambo Zvayi vakapinda
"Shingi uri kuona here zvinhu
zvawaita?"

"Ndaitei ini? Hanti ndimwi


makavanzira Sheunesu kuti mwana
wangu. Plus usanyanya kufara, Sheu
ihasha chete achadzoka uye
paachadzoka anenge ava kugara
pachigaro chake chehumambo"
"Tafadzwa haafi akaita Mambo!!! Uye
haangazvibvumi izvo!!"

"Tichaona zve kuti hazviitiki here"

Mambo vakaridza tsamwa vachibuda


*Anenyasha*

Shame my poor husband. Ndiri


kumunzwira tsitsi Taffy pazvinhu
zvose zviri kuitika paari. I can
imagine dai zvichiitika kwandiri.
Ndakasvika kumba ma girls atova
ready kuti tiende. Ndakaenda Kuna
baba ndichioneka. Ko shumba yave
kunditaudza ka.
Roe na Prince vakasvika asi Taffy
aiva asipo

"Taffy Ari kupi?"

"Haachaendi" roe akadaro


"Why?"

"Handizivi asi haachaendi ati


achatitevera"

Ndakatora foni yangu


ndichimufonera
"Taffy"

"Hey ndanga ndichiti ndichakufonera"

"Nei usingachaendi?"
"Pane zvinhu zvandinoda kutanga
ndagadzira ndichakuteverai"

"Okay babe"

*Tafadzwa*
Hazvibatsiri kuti ndiende kuHarare
ndichisiya nyaya dzangu
dzakaturikana kudai. Ndinodanirwa
kushingirira kusvika zvinhu zvose
zvava mugwara kuti muchato wedu
ugofamba zvakanaka.

"Uri kunzwa sei nezvinhu zvose zviri


kuitika?" Ethan akabvunza
"I will be fine"

"Unofanirwa kuvaregerera bamkuru"

"But nei vakaita zvinhu zvakadaro?"


"Handizivi asi vakatokubatsira dai
usipo pano"

"Dai ndiri kumwe"

Zvichakadaro pakaita knock aiva


Shingi
"Pindai bamkuru" Ethan akadaro

Akapinda achigara pa bed

"Regai ndimbokusiyai ini" Ethan


akadaro achisimuka achienda
"Sheu"

"Ndinonzi tafadzwa ini"

"Ndinoziva kuti uri kurwadziwa


nezvinhu zvose izvi"
"Nei Makita zvinhu zvakadaro?"

"Ndiregere"

Hupenyu hwangu hwese ndairarama


hupenyu hwekunyeba"
"Hazvisirizvo mwanangu"

Ndakakura ndisingazivi kuti ndini ani*

"Uri Zvayi iwe"


Handina kuvapindura

"Ndinoziva kuti zvandakaita


zvakashata Zvayi asi zvakatoitika
ndinokumbira tizvipfiudze titarise
zvekumberi ndiregerere Zvayi"

"Ndiri pano nekuti ndinoda kuti


muchato wangu ufambe zvakanaka"
"Uye unofanirwa kugadzikwa
pachigaro chako che humambo"

Ndakavatarisa nekushamisika

"Uri mwanakomana wangu Saka


humambo ndewako"
Ndakabva ndasimuka

Handisi mwana wenyu ini uye handidi


chigaro chehumambo ini " ndakadaro
ndichibuda ndichivasiya vega
*Anenyasha*

*Months later*

Mufaro wandinawo hautsananguriki


kani, I can't believe mangwana ndiri
kuchata. Ndakazvitarisa pa mirror
shuu kunaka here uku. Tafadzwa
achashamisika achindiona ndakadai
No lies guys I'm so happy kunge
muchato uyu ndewekutanga asi
zvakangofanana nekuti
ndewekutanga. Paya na Munya
ndaiva ndaita zvekumanikidzwa.
Kumba vanhu vakazara vari kubatsira
apo neapo. Muchato wedu uchange
uri ku town kune imwe church
nzvimbo yacho pane nzvimbo ye
mota dzino spinner eheka ko hanti
kuri kuchata gangster here Saka
mota dzinofanirwa ku spinner.
Ndaiva ndakagara ndakatarisa girls
dzichoirova ma steps Paida
akaswedera pandiri achiti ndiri
kudamwa mumba. Jesus ndave
kunorairwa manje.

Ndakapinda makazara type dzose


dzemadzimai. Chero vakadzi VA
Mambo vaivapom vakatanga
kundiraira umwe neumwe achitaura
zvake. Eiyy ndaingogutsurura musoro
zvimwe ndichibvuma
I'm happy kuti ndiri kuchata asi nyaya
yekuti ndiri kusiya musha wekwedu,
ndichachinja mutupo aewa
zvinondirwadza izvi. Pana Munya
handizivi nei zvose izvi zvaiva zvisipo
pamwe nekuti ndaiva ndisiri serious
naye ndakazviudza kuti ndichamusiya
chete.

Vakandiraira vakapedza,
ndakasimuka ndichienda mu room
mangu, ndakawana ma girls
achihurorota. Wee kuti mangwana
vanhu vachamuka ipapa.

*Tafadzwa*

Hee imiwee chitaurirwa hunyimwa I


don't believe kuti mangwana ndiri
kutanga new family. I'm ready kuva
murume ari straight pana Ane..
ndinoda kuti tiri vaviri tichembere
pamwe chete

"Hee kubva wanyemwerera kudaro"


Ethan akadaro

"Ndiri kurohwanehana tjoo"


Vakandiseka

"Haungaregi" Ethan akadaro.

Ticha akaswedera pandiri akatanga


kundiraira achindiudza kuti mukadzi
anobatwa sei bla bla. Neniwo
ndakamuvimbisa zvose zvaaiva
ataura zvapinda mumoyo zvikawana
nzvimbo. Zveshuwa ndaitaura
chokwadi ndichava murume
akavimbika Kuna Ane . Zvichakadaro
Munya akapinda ndakamutarisa

I wonder paachavhura muromo


achati kudii. Ndakagara pa bed
ndichitarisa vana Roland vaimwa. Ini
handidi doro nhasi. Zvekuzotatarika
pa stage aewa bodo. Munya akauya
achigara pedo neni
"Tafadzwa zvinhu zvawakandiita
zvinorwadza. Ndiri kurwadziwa
nezvinhu zvawakandiita. Asi hapana
zvandingaita nekuti Ane akashara
iwe"

Handina kumupindura
"Ndinoziva kuti ini newe tanga
tichigara tichinetsana asi izvo
hazvichinji kuti uri muninina wangu"

"Unorevei nezvauri kutaura?"

"Ngatisiyane nekurwa Taffy uri


munin'ina wangu uri ropa rangu"
Munya akadaro achiisa ruoko achida
kundikwazisa
Zvinhu zvaari kutaura Ari kutaura
chokwadi here or ane maths dzaari
kufunga? I wish to know. I don't have
choice ndakamupa ruoko
tichikwazisana

"I'm sorry neniwo handina kuzviita


nemavune"
"I understand ndozvinoita rudo"

********************

Mangwana ndakamuka
vakandigadzira sezvo taiva tave
kuenda kwatiri kuchatira. I can't wait
kuona Anenyasha. I can't wait kuti
akanaka sei. Asi handina doubt ipapi
Ane akanaka wee chero asina kuiswa
madhaka kumeso.

Tapedza zvose baba vakauya


kwandiri. Handina nguva yavo ini.
Infact handina nguva yavo vari vaviri.
Vari kurwa Hondo dzavo nezita rangu
Saka handingazvikwanisi izvo.
"Wakura mwanangu" baba vakadaro

"Ndinotenda"

"Wava kuzoita murume manje Saka


unofanirwa kumirira nyaya dzemusha
wako" baba (Shingi) vakadaro
Ndakaona mhamha vakamira
vakanditarisa. You can tell kuti havasi
happy. Ko nei vasingafariri kundiona
ndichifara. Saka kwavari munhu
akakosha ndi Munya.

Vanoda kuti ndisiye Ane atorwe na


Munya for the why?
"Mhamha kana musingadi kuenda
kumuchato wangu it's fine"

"Ndamboti handidi kuenda here?"

"Huso hwenyu hunoonekwa mhamha


kuti muri kuzvimanikidza"
"Taffy unofunga ndinganzwa sei
nenyaya yose iyi? Anenyasha aiva
akaroorwa na Munya. Dai Ari umwe
musikana dai ndichifara"

"Saka hamusi kufara. Mufaro wangu


hauna kukosha kwamuri?"
"Wakakosha Tafadzwa asi--

"Asi chii mhamha?"

Zvichakadaro Ethan akasvika


achindidana nekuti taiva tave
kufanirwa kuenda. Takanopinda
mumota dzatichaenda nadzo. Kana
pane munhu asingadi Ane handina
basa nazvo ini. Inj na Ane tiri kufara
nawo Saka hapana achaumisa.
Muchato uyu kana wapera tichaenda
ku Harare tovasiya murunyararo.

Takasvika mu church. Shuu mukati


ndaiziva here kuti kana uchichata
unorohwa nehana kudai. Ndakamira
pa Altar ndamirira mukadzi wangi.
Ndakanzwa mota dzichipipiridza.
Ndakanyemwerera pandakaona Ane
akabatwa ruoko na baba vake
vachifamba pa red carpet vachiuya
kwandiri
Ndakanyemwerera ndakamutarisa
runako rwese rwaiva rwakati bhaa
pachena. Rogwe raakapfeka kunge
raiva rakamirira iye mu shop.
Vakaswedera pandiri

"Ndiri kukupa mwanasikana wangu


nemoyo wangu wese. Ndinokumbira
kuti umubate zvakanaka" Zhou
vakadaro

"Ndinokuvimbisai baba
ndichamubata zvakanaka"

Zhou vakatendeuka vachienda.


Ndakasara ndakatarisa Ane. Ndanga
ndisingafungiri kuti angazonaka
kudai. Ndakaedza kuvhura muromo
asi ndakatadza ndakaperera
pakumuyeva. I know kuti Ane
akanaka asi izvi zvazonyanya Kani.
Naiyevo anobva andiwomeserera
nekungonyenwenyerera nonstop

"You're so beautiful Mrs Zvayi"

Ane akanywmwerera. No ways nhasi


ndichafa ne heart attack
"Newevo Zvayi wakanaka"

Takatarisana kwenguva yakareba

*Paida*

Wow unoziva handina


kumbozvifungira kuti rudo rwa Ane
na Taffy ruchasvika pa stage iyi.
Aewa vanodanana shame kwete
zvekufungira. Ndinoshuvira kuti
pasaita chinhu chichavakanganisa
murudo rwavo.

I'm sure Munyaradzi naiyevo Ari


kuzviona. Haa apa haakwanisa
kuvaparadzanisa. You can see chero
vachitarisana kuti vanhu vanodanana
ava. Ndakatarisa baba ndikaona
vachinyemwerera vakavatarisa wow
*Tafadzwa Zvayi unobvuma here
Anenyasha Zhou kuti uchamuita
mukadzi wako uchava naye
munhamo nemumatambudziko"
pastor akabvunza

"I do" Taffy akadaro achiita ma vows


ake apedza akapfekedza Ane ring.
Vanhu vakapururudza
"Anenyashadzashe Zhou unobvuma
here kuita murume wa Tafadzwa
Zhou. Uchava naye munhamo
nemumatambudziko?" Pastor
vakabvunza

"Yes I do" Ane akadaro.


Vanhu vakapururudza. Ane
akapfekedza Taffy ring achiita ma
vows ake.

"Now I can pronounce you as


husband and wife. May groom kiss
the bride" pastor vakadaro.
Takarova maoko tose. Ndakaona
baba vachitarisa pasi. Vakakisana
kwenguva diki..

Muchato wakaitwa zvose zvaiitwa


vanhu vakafara vana Ane vakanotora
ma pictures. Vapedza takazoenda
kumba Kwana Taffy. Kule vaivapowo
pamwe chete Ngoni. Hapana aiva
asipo Kani chero vana Sarah vaivapo
*Anenyasha ̃̃̃̃̃̃̃*

Ohh gosh zvese zviri kuitika ndiri


kunzwa kunge ndiri kurota.
Zvechokwadi ring iri pachigunwe
changu ndeya Tafadzwa or
ndichazoibiswa zve. Ndaingoitarisa
nonstop Kani. Muchato wakafamba
zvakanaka tikacheka cake. Kukaitwa
zvechivanhu. Munovaziva Kwa Zvayi
nemitemo inozara chitima. Tapedza
ndakabuda ndichienda kwaiva na
baba.

Vakandiyeva runako rwangu. I'm so


happy kuti ini na baba tave kuwirirana
zve sekare. Vakandiraira baba
vachindiudza zvinhu zvakawanda
nekuti ndisavanyadzisa
ndakavavimbisa baba kuti vachadada
neni.
Takahagana na baba vachibva
vaenda neniwo ndakapinda pakati
pevanhu vaifara havo asi ini
ndakaneta shame.

Tafadzwa akanditora tichienda mu


room medu. Maiva makashongedzwa
ndakageza, ndapedza Tafadzwa
naiyevo akageza. Tapedza Tafadzwa
akaswedera pandiri achindikurura
mbatya ndichisara ndiri mysvo
"I'm sure wakaneta" Taffy akadaro.

"Yah"

Don't worry ndichaku masaja"


Ndakanyemwerera. Akata ga
kundizora mafuta e massage
mutsoka. Ndainzwa
kakutekenyedzwa kainakidza,
akakwira kusvika asvika kumeso
kwangu akatanga kundikisa.
Takakisana kwenguva yakareba
pasina aitaura neumwe. Tairova kiss
iri slow. Unoziva makisiro aaindiita
you can see wega kuti ndinodiwa apa.
Akandikisa achidzika muhuro. Eish
zvinhu zvakadai hazvitani kundipedza
simba. Ndakanzwa ndave moan
"Tafadzwa nd--"

Mashoko akaramba kubuda.


Akadzika zvishoma nezvishoma
akasvika paguvhu. Ndakabva
ndatoona kuti apura riri kudyiwa
manje apa. Gaba riri kuvhurwa nhasi
asi yava nguva yacho. Chishuviro
changu kubva kare, nhasi chiri
kuzadzikiswa. Ndakazviudza kuti
munhu achatora humhandara
hwangu munhu achafadza vabereki
vangu. Tafadzwa azviita akandiroora
vabereki vangu vari kufara.
Akaratidza munhu wese kuti ndiri
mukadzi wake. Yava nguva yacho
manje yekuti apura ridyiwe. Yes I'm
scared but hapana zvandingaita uye
hapana kudzokera kumashure.
Ndichagara ndiri mhandara kusvika
when. Taffy aiva asingachanditarisi.
Kumeso uku aiva asingachajairiki.
Aiva busy nezvaaiita. Chinhu chiri
kundishamisa aiva adikitira muviri
wese. What the fuck nekuita izvozvo
munhu angabva adikitira kudai.
Maziso Ake aiita kunge munhu Aneta.
Aingonzwikwa nekufemera mudenga

He patiently adjust my weave sezvo


yaiva yandivhara kumeso I think iri
kumukanganisa. He squeeze my
breast, my eyes are on his d***k
pointing at my apple. Ohh my word
yose iyi ichapinda panani.
My heart pound faster
fearfully.ndakanzwa muviri wese
kuoma kuti gwaa kunge munhu
abatwa ne cramp. No I'm not ready
for marwadzo. Vanhu
vandinowirirana navo vaigara
vachindiudza kuti hapana marwadzo
anodarika kubiswa humhandara.

He pick me up gently place me in the


middle of the bed sezvo tanga ta
mover nekutsvutsvurukisans.
Ndakavhura maziso mahombe as he
grab his d**k and rub it in my soft wet
apple. Ndakascreamer

"Tafadzwa" ndakadaro nezwi raitya

"Relax I'm not coming"


Ndakafemera mudenga no handiudi
muchato ini kana zvakadai

"Tafadzwa!!"

"Relax babe"
Ndakabva ndanyarara I know kuti ave
kuenda kune imwe nzvimbo manje.
Asi nhasi handingamurambiri shame.
Ndikare achishingirira.

"Ndinotya Tafadzwa"

"Usatya babe siira ini zvose iwe


chako ndivimbe"
Ndakabvuma nemusoro. Ndakanzwa
chinhu chaifamba muzvidzva zvangu.
Ndakatsinzina ndichibatirira pama
sheets

"Zvicharwadza okay? Asi ndichava


gentle"
"Please Tafadzwa" ndakadaro
ndakavhara maziso

Ndakachema pandakanzwa kuti pane


zviri kuitika

"Shhhh try to be calm" Taffy akadaro


"Hapana here mapiritsi ekunyaradza
marwadzo aya?". Tafadzwa akaseka

"Babe there is no such"

Ndakatura befu. Aitaura nyovi yake


yakadongorera pa apura rangu. He
slowly push his d***k but hapana zviri
kuitika

Tafadzwa akaramba achiedza


kupinda asi aitadza. Aizama uku
achindikisa. I guess ari kuitira kuti
ndisava focus mumarwadzo. But zviri
kubatsira hazvo.
Pakapera ma minutes, he even moan .
Ndakanzwa kunge ndiri kuchekwa be
razor ku apura kwangu I screamed so
loud.

"Tafadzwa noooooo!!!!" ndakadaro


ndichiedza kumubisa pandiri
Ndaipedza nguva nekuti aiva ati kwati
kwati pandiri

"Babe be strong please we almost


there"

"Fuck man!! Ibva pamsoro pangu!!!"


Aiva atsinzina achingoedza kupinda.
Ndakaridza mhere pandakanzwa
kunge ndachekwa kyzasi

"Noooooo!!!!!"
Ndakamuona achizorora and I heard
something inside my apple.

"Ndapinda " Tafadzwa akadaro


achinyemwerera

Akatanga ku mover zvishoma


nezvishoma. Handizi chii Chave
kundichemedza now nekuti
handichadi kuti abve pandiri . I am a
woman now. Tafadzwa make me a
woman

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/B55MCS
1s3u89822uuPyXZX

*From chapter 1 pindai umu EǥE


ǥEǥ*
*Anenyasha*

*Written by: Makalulue*

*Chapter 36*
.
*Anenyasha*

Eish hakusi kunyarara ikoko.


Handitombizivi kuti ndinofanirwa
kuita sei.saka handisisiri mhandara?
Mukati ndaiziva here kuti zuva iri
richisvika. Ndakatarisa Tafadzwa
ndichinyara asi iye akanywmwerera
"Uri kunyarei manje"

Ndakatarisa pasi ndichida kutora


sheet asi akandirambidza achibva
aritora achinoriisa pa corner ye
bathroom achibva auya achinditora
tichienda kunogeza. Akandisiya
ndichigeza achibva auya nemunyu.
Ndakamutarisa ndichishamisika
"And then?"

Munyu uyu uchaita kuti usanyanya


kurwadziwa" Tafadzwa akadaro
achindipa munyu achindiudza kuti
ndiite sei nawo. Ndaingoiita asi
nyadzi zvadzaindiita so.
Ndapedza akatanga kundigezisa
apura nemvura ine munyu tapedza
takaenda pa bed, akundibata
chirebvu achinditaridza kwaari

"Thank you so much nekundivimba


ukandipa chinhu chawanga
uchididisa"

"Ndikare uneni Taffy so you deserve


it"

"Uri kunzwa sei?"

"Ndiri kurwadziwa "

"Sorry babe uchapora" Tafadzwa


akadaro achiseka

"Ndiani akakuudza kuti kune mapuri


ekuti usarwadziwa"

"Ndanga ndisina choice" ndakadaro


ndichizvichara kumeso nemaoko asi
Tafadzwa akandibisa maoko
achinditarisa
"Ndokuda mukadzi wangu"

"Ndinokuda murume wangu"

"Ngatirare " Tafadzwa akadaro


achindiisa pachifuva chake tichirara
***********

Ndapepuka muviri wangu uchirwadza,


pandakavhura maziso Taffy aiva
akagara pedo neni.
"Ohh shit ndanonoka kumuka"
ndakadaro ndichiedza kumuka asi
Tafadzwa akandibata

"Babe wakaneta unofanirwa kurara"

"Aewa Tafadzwa vanhu vachati kudii


vachiona ndichimuka nguva dzino?"
"Uri kurwara hanti ndiani akakuudza
kuti unofanirwa kushanda kana
uchirwara"

"Taffy hakusi ku Harare kuno ndisiye


ndimuke"

"Hazviiti ndichanokugadzirira coffee


then ndoudza mhamha kuti uri
kurwara"

"Handirwari Tafadzwa usanyebera


vanhu vakuru" ndakadaro ndichida
kumuka asi ndakarwadziwa

"Ouchh"
"Ndakuudza Ane rara kani"

Handina kumuteerera ndakamuka


ndichinogeza apa handigoni kufamba
kwacho. Ko ndamborara here na
Tafadzwa kuita kunge anga
achindikaurisa.

Ndapedza kugeza ndakabuda


ndichienda ku kitchen Maidei na
Mpume vaiva busy kugadzira
breakfast. Takamhorosana
ndichitanga kuvabatsira

Tapedza takaendesa chikafu munhu


wese aivapo kunze Kwa Taffy. Hezvo
Taffy ari kupiko nekuti anofanirwa
kudya. Zvichakadaro akabudikira.
Ndakamutarisa ndichinyemwerera
naiyevo akanyemwerera eish this
guy's achandiuraya Kani.
Kungomutarisa chete unonzwa ma
butterfly achitamba mudumbu.

Tafadzwa akauya achigara pasi


tichitanga kudya. Tafadzwa
akakosora zvemunhu ane zvaanoda
kutaura.

"Chii Tafadzwa?" Mai Munya


vakabvunza
"Pane muroora mutsva" Taffy
akadaro

"Tinozviziva Tafadzwa saka" Mai


Munya vakadaro

"Sheet rakasviba haridiwi here


kwandiri?" Tafadzwa akabvunza.
Ndakavhura maziso ndichimutarisa.
Vanhu vose vakatarisana
vachishamisika. Ohh gara zviya
ndaiva ndakaroorwa na Munya Saka
vanofungira kuti ndiye akandibisa
humhandara

"Nei Tafadzwa uchitaura zvinhu


zvakadaro Ane hanti aiva mukadzi
wemukoma wako?"

"Ane haana kumbobvira akaita


mukadzi wa Munya ndimwi
makamunanikidza Saka havana
kurara vose" Tafadzwa akadaro
achinotora sheet achiuya naro vanhu
vose vakashamisika

"Munyaradzi" Mambo vakadaro


"Zvayi" Munya akadaro achitarisa
pasi.

Tafadzwa akavaudza nyaya yose


yakaitika
"Huh!! Newe munyaradzi
wakanyarara nenyaya yakadai"
Mambo vakadaro

Munyaradzi haana kupindura.


Madzimai akatanga kupururudza
vachitora sheet vachiriendesa
kudanga. Roe akapera nekuseka.
Munya akaridza tsamwa achienda
mu room make.
Vanhu Havana kuzopedza kudya
vakasimuka umwe neumwe achienda
kwake Tafadzwa akaenda mu room
make ndakamutevera

"Nei Tafadzwa waita zvinhu


zvakadaro?"

"Hanti ndivo vakati chivanhu Saka


neniwo ndaita chivanhu"

"But t--" handina kupedza akandibata


achindiswededza paari

"Haungambonditsanwiri nezuva
rekutanga tiri tose"
"Haa nxaa unopenga iwe"

"Should I ?"

Ndakabva paari ndichitiza Tafadzwa


tichiseka
*Mpume*

Ndiri kugezisa Popo

"Mhamha ndave kugona kuzvigezera


ini"
Ndakaseka

"okay ndichakugezisa nhasi chete


then kutanga mangwana uchageza
wega"

"Okay mhamha"
Ndakamugezisa achingohumana
achindiudza nezvemuchato Wana
Tafadzwa kuti wanga uchibnakidza
sei. Ndapedza ndakamuzora
ndichimupfekedza mbatya dzekurara
zvichakadaro Munya akapinda

"Daddy!!!" Popo akadaro


achimhanyira Munya achimuhaga
"Princess"

"Ndanga ndichigeza daddy"

"Okay Princess chienda unorara"


Munya akadaro achimusimudza
achienda naye mu room make
I wonder chii chaari kuda kuita zvaari
kuendesa Popo kudai. Ndakabva
ndapinda mumagumbezi.
Ndakamunzwa achipinda achikiya
door achiswedera pandiri

"Nei usina kudaira foni pandanga


ndichikufonera?"
"Foni?" Ndakabvunza ndichinotarisa
foni yangu

Ndakawana ine ma missed hobho


ake. Nhasi handina kumboita nguva
nefoni sezvo tanga tiri bus zuva rose
"Ruregerero Zvayi nhasi ndaswera
ndiri busy?"

"Haisi landline iyi Mpume I cellphone


inofanirwa kugara muhomwe mako"

Pandaida kupindura ndakanzwa


negwati rembama rakandivhara
kumeso.
"Nei wanga uchiignowa ma calls
angu? Hee?"

"Munya handina kumboignowa ini


ndaswera ndiri busy"

"Wanga uchiitei?"
Tanga tichirongedza zvinhu sezvo
nezuro wanga uri muchato"

"Muchato muchato wekudii? Ndiwe


wanga uchichata? Nei ivavo vanga
vachichata vasina kuzvirongedzera"
Ndisati ndapindura ndakanzwa rimwe
gwati achindibata nevhudzi
achinditsimbirira pamadziro
achindiroverera pamadziro nemusoro
uku akandibata nevhudzi. Ndakaona
vhudzi rangu richidonhera pasi one
by one

"Munyaradzi unondikuvadza chiiko?"


Ndakadaro ndichichema asi haana
kumbondinzwa akaramba
achindirova achindisundira pa bed
achitanga kundirova nezvibhakera.
Akandirova kusvika Aneta achibva
asimuka achienda ku bathroom
achidzoka achikwira pamsoro pangu
achitanga kundikisa achindikurura
mbatya. Zvese zvaaiita aizviita ne
rough. Apedza kundikurura akatanga
kurara neni zve rough kusvika apedza

***********
Handina kurara, husiku hwese
ndichingofunga hupenyu hwandiri
kurarama. Munya arara neni husiku
hwese achiita hu rough
hwake.handikwanisi kuita chinhu
muviri wangu wese uri kurwadza,
ndinofanirwa kunogera musoro sezvo
munyaradzi andibisa vhudzi
nezuro.ndakasimuka ndichitora
mapiritsi emarwadzo. Handikwanisi
kuita chinhu muviri wese uri
kurwadza. Zvichakadaro ndakaona
Munya achipinda
"Good morning"

"Morning baba Jay" ndakadaro


ndichisimuka ndichida kuenda ku
kitchen

"Uri kuenda kupi?"


"Kunogadzira breakfast"

"Why nekuti pane muroora mutsva


hanti ndiye anofanirwa kugadzira
breakfast"

Handina kumupindura
ndakangotarisa pasi
"Ndinoda kugeza"

Ndakabvuma ndichienda ku kitchen


apa gumbo rairwadza pandamunyuka
nezuro Munya paanga achindidhonza.
Ndakazvidhonza ndichienda ku
kitchen. Ndakawana Ari ku kitchen pa
stove pane mugomo wemvura
Takamutsana ndichibva
ndamukumbira mvura nekuti ndikada
kumirira kuti Ane abise yake ndizoisa
yangu ndingazorohwa konzi
ndanonoka

Ndakakumbira Ane mvura akabvuma.


Akanditarisa achishamisika asi ini
ndakatizisa maziso kwaari
"Mpume uri kurwara?"

"Aewa ndiri right Ane"


"Gumbo waita sei?"

Ndadonha nezuro asi ndichava right


hangu"

"Ohh sorry pane mushonga wa


Tafadzwa mu room mangu kana
wapedza uuye ndikurabhe"
Ndakabvuma ndichitora mvura
ndichienda nayo ndakasvika
ndichimudirira achibva ageza. Aitoita
kunge zvinhu zvose zviri Normal.
Kana hanya nezvinhu zvaandiita
nezuro

Ndakabuda ndichienda Kuna Ane,


akasvika achibudisa mushonga
achindirabha. musoro uri kuita
kugwagwadza, yes ndamwa mapiritsi
emarwadzo asi zvatoita sekunge
ndamwa mapiritsi ekuwedzera
marwadzo. Ane apedza akandipa
mamwe mapiritsi emarwadzo.
ndakatenda ndichibuda ndichienda
mu room . Thank God ndakawana
Munya asimo . Pamwe
ndingakwanisa kurara zvima minutes

*Anenyasha*
No man pane zviri kuitika chete pana
Mpume, paakabuda ndakasimuka
ndichienda ku kitchen.
Ndichangopinda Mai Munya naivowo
vakapinda. Ndakavamhorosa
vakangobvuma zvekuti zvindibve.
Ndakaedza kutaura navo pamwe
vanganzwisisa kuti ini na Taffy
tinodanana asi evoo haa Mai Munya
vanondivenga kwete zvekufungidzira.
Vandipindura shoko rimwe asi
kwandiri rasvika mumoyo rikawana
nzvimbo.ndakabuda ndichidzokera
mu room medu ndakawana Taffy
achangopedza kugeza
"Sheunesu"

Akanyemwerera achindiswededza
paari

"I miss you"


Ndakaseka

"Miss me?"

Akadzikisa maziso achinditaridza


nyovi yake yaiva yatovaka tent pa
trouser
"Hayi Tafadzwa hayi"

"Tinofanirwa kuti tikagara gara


tocheka apura iro. Unoona marwadzo
awanza nezuro ukagara nguva
yakareba usina kuchekesa apura iro
unozonzwa marwadzo anodarika
awanzwa nezuro
"Hakuna zvakadaro"

"Unozvizivirepi iwe?"

"Mnxm"

Akandiswededza paari achindikisa


"Ndinokuda wanzwa?"

Neniwo ndinokuda murume wangu"

Akandisimudza achinondigadzika pa
bed naiyevo achigara
"Unenge une zvaunoda kundiudza"

"Taffy pane zviri kuitika chete pana


Mpume"
"Chii manje?"

Ndakamutsanangurira zvandaiva
ndaona Pana Mpume
"Ane ininj I think unofanirwa kusiyana
nenyaya dzevanhu"

"What?"

"Ane unoona kuti pamusha pano


havakudi usada kuita kuti zvinhu
zvive wesi"
"Taffy vakadzi vanoshungurudzwa
mudzimba umu vasingatauri pamwe
Munya pane zvaanomuita"

"Ayy Ane ini nyaya dzevanhu handidi


kudzipindira ndinoda kumboita
zveimba yangu.ndichangobva
kufonerwa manje ku New Harare
private hospital "
Ndakavhura maziso

"Hanzi?"

"Hanzi ndiuye kubasa"


"Ohh my word hanzi uchatanga rinhi?"

"Monday imagine apa zvinoreva kuti


tinofanirwa kuenda mangwana "

"Zvinoita here kuti ndiende Taffy?"


"Unofanirwa kunoverenga Ane uye
tichangobva kuchata Saka haufanirwi
kugarira kure nemurume wako"

"Vachabvuma here vana baba?"

"Vanoramba kuti vachakunyova here"


Ndakaseka ndichimutarisa

"Okay baba"

"Ndinotenda mukadzi wangu"

*Tafadzwa*
I'm so happy sezvo ndadamwa
kuchipatara. Now ndave kufanirwa
kugadzirisa hupenyu hwangu. Ndava
nezvose zvandinoda Saka ndave
kuda kurarama hupenyu huri normal.
Now ndinofanirwa kunovaudza kuti
mangwana tiri kuenda na Ane asi
handizivi ndichaudza ani..ndakaona
mhamha vachipinda mu kitchen
ndakavatevera
"Tafadzwa"

"Mhamha mangwana tiri kuenda


kubasa vati ndiuye"

"Mandlovu unoenda naye here?"


"Ehe mhamha"

"Ahh Tafadzwa zvakaitika kupi


izvozvo?"

"Please mhamha"
",Okay enda unoudza baba vako"

"Baba vapi vacho?"

"Nhasi hauchazivi baba vako iwe


Tafadzwa"
"Pamusha pano panana zvayi vaviri"

Mhamha vakadzungudza musoro


vachibva vaenda neni kumuzinda.
Takavawana vakagara vari vaviri.

Ndakagara pasi ndichivamhorosa


"Baba mangwana tiri kuenda kubasa
vari kundida"

"Kana uchiti tiri unoreva kuti uri


kuenda na mandlovu" Zvayi mudiki
akadaro

"Ehe baba Ane achiri kudzidza Saka


anofanirwa kuverenga"

"Pamusha pano hapana muroora


anodzidza" baba vakadaro

"Wangu muroora anodzidza enda


naye iwe Sheu"
"Shingi usapindira nyaya
dzausingazivi " mhamha vakadaro

"Sheu mwana wangu Saka


ndinopinda nemusoro zvese
nemakumbo. Sheu usasiya mudzimai
wako iwe endai anozadzikisa
zvishuviro zvako enda mwanangu
takunzwa" Shingi akadaro
Ndakasimuka ndichivasiya
vachikakavadzana. Pandaienda mu
room mangu ndakaona Ethan
akagara aionekwa kuti Ane zvaari
kufunga. Ndakaenda kwaari
ndakasvika ndichigara pedo naye

"Uri kufungei kudaro?"


"Wamuona here munin'ina wa Ane
kuti anga akanaka sei?"

"Ani manje? Unoreva Paida?"

"Yah yah"
"Paida agara akanaka Wani"

"Asi zvazuro zvanga zviri wesi"

Wee shasha yava kuchiva ka apa"

"Asi unomuda"
"Eish broe"

"Munyenge zve"

"Haa ndotangira papi ndinotya ini"


"Wee ayy Sara wakadaro
vachamutora vasingamutyi kana
uchibhayiza" ndakadaro ndichisimuka
ndichiseka ndichienda mu room
mangu.

Ndakawana Ane achizora.


Ndakamubata ndichimuswededza
pandiri
"So what about me and you?"

"Tafadzwa"

"Come ohn babe" ndakadaro


ndichimusimudza ndichimuradzika
pa bed.

*Anenyashadza*
*Months later*

Wow it's been a months now zvinhu


zviri kuendeka na Tafadzwa handidi
kunyeba Taffy anondida kwete
zvekufungidzira. Chinhu chinonyanya
kundifadza akasiya zvose zvaaiita
now ava doctor pachake.
Ndakapepuka asipo pa bed i think Ari
kugadzirira kuenda kubasa.
Zvichakadaro akabva atopinda
akapfeka be uniform.

Ndakamuka ndichimugadzira color.


Uhhm munhu kana anaka kudai
ndinobva ndaita godo vanhu
vaanoshanda navo vechikadzi
vanenge vachiyeva runako urwu.
Akatora ma key ne briefcases yake
tichienda kumota. Ohh mota Mambo
vakaitenga exactly yaiva yakaita
seyavakapisa. Nyaya yakasvika Kuna
bamkuru Shingi ihh murume
ndeimwevo type akamgotaura shoko
rimwe chete svondo harina kupera
yaiva yadotengwa.

Ndakamuperekedza achienda
kumota. Takasvika kumota
tikakisana achibva apinda mumota
achienda. Neniwo ndakadzokera
mumba ndichinogeza. Ndinofanirwa
kubikira murume wangu chikafu
ndimuendesere. Haangadyi chikafu
chekutanga mukadzi wake ndiripo.
Kuchikoro handichaendi ndakapedza
kunyora Saka ndangomirira ma
results

*Tatenda*
Eish handisi right guys handizivi kuti
ndichaita sei. I can't do this anymore
ndatadza chero kuenda ku campus
ne stress yandinayo. I'm scared. I
don't know vabereki vangu vachati
kudii. Kana vari sa mhamha
vachandiuraya. Zvichakadaro Linda
roomza wangu akapinda

"Tatenda unofanirwa kuudza vabereki


vako. Uchasvikepi wakadai?" Linda
akadaro. Misodzi yakatanga kuyerera

"Ndichavatangira papi Ivo vachiziva


kuti ndichiri mhandara"

"Ewuu nyaya yako yakaoma iyi"


Ndakatarisa dumbu rangu. Esh
nhumbu yacho ine mawara iyi. Ndi 4
month now ndine pamuviri asi yave
kutoonekwa.

Handizivi kuti ndichaenda sei kumba


sezvo zvikoro zvava pedo kuvharwa

*ANENYASHA*
Ndiri kugadzira chikafu chemurume
wangu foni yakarira aiva Paida

"My young sister"

"Sisi muri sei?"


"Ndiri right ini uri sei iwe?"

"Handisi right ini eish ndi Ethan"

"Adii manje?"
"Anoga achindinyenga?" Ndakaseka

"Iwe unomuda here?"

"Handizivi ini sisi pamwe ndinomuda"


Ndakaseka

"Siya kutamba Paida kana uchimuda


wakamirira manje? Uchasara
wakavhura muromo atorwa
nevanogona. Rega ndiendesere
murume wangu chikafu "

"Okay sisi"
"Asi nyaya ya Ethan imboifunga kana
uchimuda mubvume Paida usiyane
nekukakama follow your heart"

Paida akabvuma tichibva taoneka


ndichinokwira kombi ndichienda
kuchipatara.ndakamuwana ane
umwe doctor mukati
"Okay thank you doctor Tafadzwa "
doctor uya akadaro achibuda
akandidarika ndakamira pa door

"Hey ma'am "

"Hey" ndakadaro ndichipinda mu


office ma Taffy. Paakandiona
akasimuka achiuya achindihaga
"Wauya babe"

"Nei doctor uyo achikuti doctor


Tafadzwa "

"Haa imhosva here?"


"Haafanirwi kukudana achidaro."

"Godo rose iri mukadzi wangu"

"Ndini ndega ndinobvumirwa


kukudana ndichidaro"
"Kwete vasinjonjo" Tafadzwa akadaro
achindiswededza paari achindikisa
achinovhara door achikiya...

"Nei uchikiya door"

"Handidi munhu anoti disturber"


Ndakaseka achibva andiswededza
paari

"Tanga wadya chikafu chako"


"Ndoda kutanga neichi chinogara
chakabikwa"

"Tafadzwa"

"Haa babe ndanga ndave kutouya


kumba kuzodya chikafu changu"
Tafadzwa akadaro achindisimudza
achindiradzika patafura achitanga
kundikisa
"Hazvisi right Tafadzwa"

"Office iyi handisi kuyisheya nemunhu


okay"
Ndakaseka ndichidzungudza musoro
tichikisana

Tapedza mutambo wevakuru


takazvigadzira tichigeza maoko.
Tafadzwa anopenga shuwa mu office.

"Une misikanzwa tafadzwa"


Kumukadzi wangu hanti"

Ndakseka tafadzwa akatanga kudya


chikafu tichitaura nyaya. Nguva
dzekuti atange basa dzakachaya

"Uchandiwana kumba ndave kuenda


ini"
"Ndangosarirwa ne two hours chete
kuti ndichaise ndimirire"

Saka two hours dzose idzi ndinenge


ndakangogara"

"Tora laptop yangu uone ma movie


pa Netflix password Anenyasha"
Wow. Ndakatora laptop ndichitanga
kuona hangu ma movies after some
minutes foni yangu yakarira aiva
Tatenda.

"Cousin"

"Ane ndaita problem pano ndine


pamuviri"

"What"

"Eish cousin handizivi kuti ndiite


kumba ndinotya kuvaudza"
"Yoo sorry cousin unofanirwa
kuvaudza vachatsamwa zvigodarika"

Mhamha hauvazivi iwe"

"Ine mwedzi mingani nhumbu"


"4 months Ane pawakauya kumba
paya yaiva ne one months"

Ndakapererwa ndakazomuonesa
pandaigona tichibva taonekana

"Uri kuonei apo?" Taffy akabvunza


"The unexpected"

"Ndochii ichocho?"

"Haungazivi zvagara hanti iwe uri


wema action unoona ma movie
ekubiwa kwemari"
"Tasvika SEI ipapi Ane?"

"No ndanga ndichingotaurawo hangu"

"ASI hausisiri right, asi pane


zvawaona pa laptop?"
"Aewa ndichakuudza mumota"

Nguva dzekuti achaise dzakachaya


ndakamubatsira kurongedza zvinhu
tapedza takanopinda mumota

"Chindiudza"
"Tatenda Ane pamuviri"

Taffy akaseka

"Chii manje?"
"Ko haasi mhandara here?"

"Neniwo ndizvo zvandanga


ndichiziva"

"Inga Mai vake vaiti uchamudzidzisa


chihure. Vakaura"
"Tatenda haana zvaaita okay so I feel
sor for her"

"Mai vake vachanya chete"

"Tate ati baba vemwana havasisiri


vose"
"Yoo Saka pakaipa sorry babe handidi
kukuona wakasuruwara"

I'm fine"

Taffy akamutsa mota tichienda


kumba

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/B55MCS
1s3u89822uuPyXZX

*From chapter pindai umu EǥEǥ


Eǥ*
*Anenyasha*

*Written by: Makalulue*

*Edited by Ellena*
*Chapter 37*

*Mpume*
Hwaiva husiku ndaiva ndakagara pa
bed ndichingofunga nezva
Munyaradzi. Ndaitya kurara asati
asvika what if akandidzipa ndakara. I
don't believe kuti handisisina vhudzi
zveshuwa. Ndakagera nekuti raiva
rangova mahwani hwani. Asi ndiri
kupfeka ma wigi aanonditengera.
Ndakagara kudaro Munya akapinda.
Ndakasimuka nekukurumidza
ndichizvipeta
"Hey uri kuvhundekei?"

"Hapana"

"Ko nei usingarari?"

"Handina hope"
"Zvino kuzogara pamubhedha?"

Ndakapinda mumagumbezi
nekukurumidza ndisati ndaroverwa
kuti nei ndisati ndarara. Munya
akauya achigara pedo neni
"Ndakuvigira something I'm sure you
will like it" Munya akadaro achipinza
ruoko muhomwe achibudisa box
raiva rakanaka achindipa.
Ndakamuka ndichitora necklace iya

"Wow" ndakadaro ne voice raiva


rakazara kutya...
"You like it?"

"Yah"

Akandiswededza paari achindihaga


kwenguva achindiradzika pa bed
"Good night"

What happen to him

"Good night too"

*********
Mangwana makuseni ndakamuka
ndichinomugadzirira breakfast .
Ndapedza ndakamuendesera
breakfast pa bed.

Chii manje ichi?"


"Your breakfast"

"Mu bedroom here?"

"Ndeyekutenda necklace"
"Okay thanks ndichanwa coffee chete
be ready nhasi tiri kunodya out ini
newe nevana"...

",Shuwa here?" Ndakabvunza


ndichishamisika

"Eya"
Ndakabuda ndichienda Kuna Jayden
ndichinomuudza. Akashamisika
nazvo akamboda kuramba asi
ndakataura naye kusvika anzwisisa.
Ndakazoenda Kuna Popo
ndichimugadzira mufaro waisvika
kugotsi Kuna Popo..

*Tatenda*
Ndaiva ndakagara mu room mangu
ndichiedza kuverenga. Foni yangu
yakapinda message aiva Lesley
aindiudza kuti Ari panze.
Ndakanyemwerera. Pamwe ave
kuona kuti zvinhu zvaakaita zviri
wrong. Ndakabuda ndichienda kwaari,
aiva akamira akazembera mota .
Ndakasvika paari tichimhorosana.

"Nei usingadairi ma calls angu?"


Ndakabvunza
"Ndizvo zvandavinga pano Tate. I'm
not ready kuva baba ini"

"What do you mean?"

"Better ubise nhumbu iyi ini ndave


neumwe musikana I can't continue
nemunhu ane pamuviri" ndakanzwa
misodzi ichipisa kumeso kwangu

Lesley akabudisa Mari muhomwe


make achindipa..

"Mari iyi enda Kwa doctor unobisa


nhumbu iyi".
Misodzi yakabuda ichiteverana

"Lesley nei uchindidaro?"

"I'm sorry Tate, munhu wandinaye


manje ndinomuda zvakanyanya
handidi kuti azive nezvenyaya iyi
chienda hako"

"Lesley please i love you


ndinokumbira usandidaro!!"

Lesley akapinda mumota make


achinditarisa achinyemwerera
achienda.
Ndakamutarisa achienda, ndakasara
ndichigwadama pasi ndichichema.
Ko vakomana vakambodiiko.
Vabereki vangu vachati kudii nenyaya
iyi. Ndingati ndichitya kuvaudza
nezvenhumbu. Pavachandibvunza
nezvemuridzi wenhumbu ndichati
kudii

*Nompumelelo*
Tiri mumota tiri kuenda ku restaurant.
Ndaingotarisa Munya
ndichibirira,ndinoshuvira kuti dai
situation yadzokera sekare. Na
Munya taidanana Kani, hamenho
achinjiswa nei. Munzira Popo ndiye
aingohumana Munya achimupindura...
Takasvika ku hotera Tikagara pa
table for 4 tika order breakfast yedu.

"Thank you Zvayi" ndakadaro

"You're welcome" Munya akadaro

Chikafu chedu chakasvika tikatanga


kudya. Chinhu chinonyanya
kundifadza kuona vana vangu
vachifara. Tapedza kudya takaenda
muma shop embatya tichinotengera
vana mbatya. Vakashara zvose
zvavaida.

"Iwe haudi chinhu here?" Munya


akabvunza ndakanyemwerera
"Thanks for now ndiri right"

Tapedza kutenga mbatya


takatenderera tichienda Kuma game
evana, takaita zvose zvavaida kusvika
nguva dzekuenda kumba dzachaya.
Handina kumbozvifungira kuti Munya
angaitira vana vake zvinhu zvakadai

*Tatenda*
But nei Lesly andidaro?
Akandivimbisa kuti haafi akandisiya.
Ndakamupa humhandara hwangu
ndichifunga kuti anondida asi nhasi
uno ndiye ave kutaura mashoko
anorwadza Kwa ndiri. Ndiye ave
kundipa Mari kuti ndinouraya mwana
wake
Ndaifunga kuti pamwe anondida
zvechokwadi izvo aingoda zviri mberi
kwangu. Ndakaedza kurara asi hope
dzakati unonyeba handiuyiko. Iko
hope hadzingauyi shame na 6pm
here amana asi ini ndinoda kurara
pamwe ndingakanganwa Nhamo
dzangu

Ndinoziva kuti vabereki vangu


vacharwadziwa kunyanya baba,
mhamha Ivo ndinovaziva vanenge
vachingoti vanhu vachati kudii. Hanti
Ivo vanoraramira vanhu here. Asi
chero zvikadii handimborasi mwana
wangu. Vakawanda vakadzi muno
mu Zimbabwe vanozvichengetera
vana vavo.

Ndakazobiswa mundangariro nefoni


yairira. Ndakarohwa nehana
pandakaona vari baba. Ndakadaira
tichimhorosana
."ndakufonera ndichikuudza kuti ini
haundiwani kumba ndiri kuenda ku
Mount Darwin nebasa"

"Okay baba mufambe mushe"

Takazotaura dzimwe nyaya


tichionekana. Misodzi yakayerera
pandiri. Baba vari kuenda
ndichawana mhamha voga kumba.
Jesus
*Mpume*

Aiva makuseni tichigadzira breakfast


na Maidei ndaingonyemwerera
nonstop. Munya achinja shame uye
andikumbira ruregerero
akandivimbisa kuti haachandirovi zve.
Chero hake asina kundiudza kuti
anondida asi chinhu chandafarira
ndechekuti achinja

"Hmm I smiling here iyi?"

"I'm so happy"

"Ndi Munya right?" Ndakaseka


"Haa ko ndiye ega here Ari
muhupenyu hwangu"

"Hmm hanti nezuro manga mabuda


out"
"Yah iye Munya achinja shame this
days"

"Ndinofara kuona makabatana na


Munya " Maidei akadaro

Zvichakadaro Ethan akabudikira


naiyevo aingorova smile nonstop.
Hezvo ko chii chiri kuitika pamusha
pano?
"Morning varoora vekumba kwedu"

"Ayy pamusha pano ndini ndega


ndisingafari"
"Haa farai maiguru life is too short"
Ethan akadaro achitora mvura mu
fridge"

"Asi wafunga kutivigira mainini?"


Maidei akabvunza

"Ndinoona sekudaro neni"


"Musawara muroora ari munzira"
Ethan akadaro takaseka Ethan
achibva aenda

*Tatenda*

Few days later


Nhasi I Friday ndiri munzira kuenda
kumba. Handizivi kuti mhamha
vachati kudii nenyaya yangu.
Ndakasvika ndikawana vanin'ina
vangu vachitamba. Ndakavamhorosa
ndichibva ndaenda mu room mangu.
Ndakasvika ndichizvikandira pa bed
ndichirara. Ndisati ndatombobatwa
nehope ndakanzwa door richivhurika.
Ndakavhunduka ndichimuka
ndichigara pa bed vaiva mhamha
"Tatenda wave kusvika uchirara
kwakanaka here?"

"Sorry mhamha eish handisi kunzwa


mushe"

Mhamha vakanditarisa kwenguva


yakareba. Ohh my God vanoona kuti
pane Zviri kuitika pandiri
"Tatenda kubva wasimba kudai?"

Misodzi yakatanga kuyerera pandiri.


Mhamha vakaswedera pandiri

"Uri kuchemei Tate?"


"I'm sorry mhamha"

"Sorry yeyi manje?"

"Ndaiva ndisingadi kukunyadzisai na


baba mhamha ndakakanganisa
ndiregerereiwo" ndakadaro
ndichichema

"Tate wava kundityisa manje"

"Ndine pamuviri mhamha "


"What? Tate wave kurara
nevakomana manje iwe?"

"I'm sorry mhamha "

"Vanhu vachati kudii nenyaya yose iyi?


Ivo baba vako vachati kudii"
"Ndiregerereiwo mhamha"

"Futseki maan Tatenda!!!""

Ndaiva ndave kungochema


ndakatarisa mhamha
"Ndiani anoziva nezve nyaya iyi?"

"Roomza wangu na Anenyasha


chete"

"Good mangwana tiri kuenda Kwa


doctor"
"Kunodii mhamha?"

"Kunogadzira zvinhu zvawakatakura


haungaiti pamuviri iwe, unofanirwa
kubuda pano nemuchato"
"No mhamha ndinokumbira
musandidaro"

"Nhumbu yacho ine mwedzi mingani"

"Ine four"
"Hazviiti uite mwana Tate baba
vanoziva kuti uchiri mhandara"

"No mhamha please baba


vachanzwisisa"

"Handina kumboti ndinoda muono


wako ini. Mangwana tiri kuenda Kwa
doctor and yes Masango haafanirwi
kuziva nezvenyaya iyi " mhamha
vakadaro vachibuda

***************

Nezuro ndakaedza nzira yose kuti


ndibude pano asi ndatadza vanga
vakandikiira mukati vakanditorera
foni yangu apa window remu room
mangu haribudiki pane butler.
Mhamha vakabva vapinda
vachindidhonza vachienda neni
kumota. Ndakaedza kupunyuka
pavari asi vaiva vakandibata.
Ndakaedza kuvanyengerera asi
zvakakona.

Takasvika Kwa doctor. Mhamha


vakatsanangura nyaya yava doctor
akandibvunza kuti ine mwedzi
mingani. Pandakamuudza
akarambisisa nekuti hanzi kana yava
ne four months atova munhu Saka
zvingazokonzera kuti neni ndishaye
nemwana wangu. Ndakashamisika
mhamha pavakaramba
vachinyengerera doctor. Wtf Saka
mhamha Havana basa nehupenyu
hwangu vane basa nevanhu kuti
vachati kudii.

Thank God doctor akaramba.


Takazodzokera kumba mhamha
vachingopopota Vega. Thank God
zvishuviro zvavo hazvina kuitika

*Paida*

Kubva Ethan zvaandiudza nezuro kuti


anondida I can't help it. I'm smiling
nonstop. Nezuro andiudza kuti anoda
kutaura neni Saka anokumbira
tisangane kurwizi. Ohh God nguva
dzaataura dzava kuzochaya.
Ndakatora mugomo wangu ndini uyo
kurwizi. Ndakamuona ndichiri kure
akagara pane rimwe dombo

Hana yangu yakarova ndichifunga


baba vangu. Vachati kudii shuwa
pavachanzwa kuti ndave kuita
zvevakomana. I don't want lie Ethan
arimo mumoyo mangu shame.
Ndakazvishingisa ndichiswedera
paaiveri

"Hey"

"Mai mushavi"
Ndakatarisa pasi ndichitambisa
zvigunwe

"Wandidanirei?" Ndaibvunza
nemavune nekuti ndaiziva hangu
andidanirei

"Ndinoda kuziva kuti unondibisa here


or unondipinza. Kana uchindipinza
unenge wandipinza mumoyo mako
asi kana uchindibisa unenge
wandibisa ukandiisa munhamo"

"Ndinokupinza" ndakadaro
ndichivhara kumeso nemaoko. Ethan
akaswedera pandiri achindiisa maoko
achinyemwerera. Ndakabvuta maoko
angu paari ndichitendeuka ndini uyo
ndichimhanya ndakananga kumba..
zvemugomo ndichazozviona
*Anenyasha*

Nhasi izuva rekuti ndiende kumba.


Nezuro takanotenga grosari
rekuenda naro. Ndaiva ndatopedza
zvose Taffy akandiendesa ku rank
luck ndakawana bhazi rave pedo
nekusimuka. Handina kugara nguva
yakareba. Takaonekana na Taffy
bhazi richibva rasimuka. Hours later
ndaiva ndatosvika kumba.
Ndakasvika vanhu vakafara
vachindiona kunze Kwa Mai
Tafadzwa, mukadzi uyu haandidi
kwete zvekufungidzira.. Jayden
paakandiona akafara zvakanyanya
asi mufaro wakazodzikira paakaona
Taffy asipo. Ndakasiya grocery mu
kitchen ndichibva ndaendesa bag
rangu mu room mangu.
Ndakazoenda kwaiva nevamwe.
Vanhu vaikurura vachitaura havo
nyaya dzakasiyana. Ethan akapinda
achinyemwerera.

"Wee gore rino tichaonerera shuwa"


maidei akadaro achirova maoko

"Mpfana ndeupi manje musikana ave


kukupengesa?" Baba Tafadzwa
vakabvunza

"Ndewekwa Zhou bamkuru" Ethan


akadaro ndakavhura maziso

"Shuwa tinoda kuziva" Mambo


vakadaro
"Kwa Zhou ?" Bamkuru vakabvunza
vachishamisika

"Zhou upi manje?" Mamoyo


vakabvunza

"Zhou vemuraini maiguru" Ethan


akadaro
"Ndeupi manje musikana wacho"

"Paidamoyo Zhou munin'ina wa Ane"

"What?" Mambo vakabvunza


"Haa wagona paya mwanangu
mwana uya anoremekedza shame "
mamoyo vakadaro. At least pane
munhu amufarira

"Nyaya Yako nemwana wekwa Zhou


inofanirwa kupera" Mambo vakadaro

"Nekuda kweyi?" Baba Tafadzwa


vakabvunza

"Hazvingaiti kuti tiite varoora vaviri


pamusha umwe"

"Zvine basa rei manje?" Bamkuru


vakabvunza
"Shingi ndiri kutaura nemwana wangu
"

"Neniwo mwana wangu Saka


ndinofanirwa kutaura. Usakanganwa
kuti ndini Mambo saka nyaya iyi
ndichaipindira sa Mambo Siya
mwana aroore munhu waanoda.
Unoda Aite sei kana achimuda.
Amurambe here nekuti iwe haumudi.
Asi ndiwe uchange uchimushandira
husiku"
"Baba ini ndinobvumirana na
bamkuru mwana uya hatisati
tambonzwa zvakaipa paari" Mai
munya vakadaro

"Ichokwadi baba vana vekwa Zhou


vakadzidziswa shame honai mukadzi
wa Taffy" mamoyo vakadaro.
Ndakanyemwerera asi ndakapeta
mwise pandakaona Mai munya
vachinditarisa

I'm so happy kuti munhu wese


anomuda Paida. Ndingashingirira
zvose asi handingabvumi kuti
muninina wangu ashungurudzwe.
Nyaya ya Ethan yakazotaurwa
vakaguma pakuti vachataura na baba.
Hamenho baba vachaitora sei nyaya
iyi.

Vapedza ndakasimuka ndichienda


mu room mangu ndakawana foni
yakazara nema missed call a Paida
na Taffy. Ndakatanga nekufonera
Paida ndichimuudza nyaya yose
akafara shame. Ndakazofonera
wangu murume
"Sorry babe ndasvikirana
nemusangano"

"Musangano weyi manje?"

Ndakamuudza nyaya yose ya Ethan


Tafadzwa akaridza muridzo
"Washaa idya mupfana"

Ndakaseka Tafadzwa anopenga


shuwa. Takazotaura dzimwe nyaya
dzema love love munongomuzivavo
Taffy aingondiudza zvemu bedroom
chete

*Narrated*
Husiku Ane akamuka mu room make
achinochera mvura ku kitchen. Aiva
atokangananwa kuti haasi kumba
kwake aiva akangopfeka ma pyjama
chete. akasvika ku kitchen
achibatidza light. Akavhunduka
paakaona Munyaradzi akamira pedo
ne tafura. Akatora cup achinotora
mvura.
"Hesi Anenyasha"

"Hevo"

"Wauya?"
"Ehe" Ane akadaro achida kuenda asi
Munya akamubata ruoko

"Munyaradzi" Ane akadaro nezwi


raiva razara kutya

"Saka hauna kuuya nemurume


wako?"
"Munyaradzi ndisiye ndiende mhani"
Ane akadaro achiedza kuenda asi
Munya akamubata achimusundira
pamadziro

"Hautyi here kurara wega" Munya


akabvunza achivhura zip ye trouser

Anenyasha akaona kuti akabhayiza


Munyaradzi anorara naye apa.
Akarwisa kusvika akwanisa
kupunyuka. Akabva atiza
achinozvikiira mu room make

****************

Munya akazvibata trouser


achitendeuka achienda mu room
make. Kubva zvaaenda masikati
hapana anoziva kwavanga ari. Ukuvo
Mpume haasati arara akamirira
murume wake

"Hey baba Jay" Mpume akadaro


achisimuka achimutorera zvinhu
zvekugeza achimupa
"Zvayi hezvo zvinhu zvekugeza"

Munya akamutarisa haana


kumupindura

"Zvayi" Mpume akadaro


Munya akamupa gwati rembama
achidonhera pasi

"Ndamboti ndinoda kugeza here ini.


Ndizvo zvinokutadzisa kurara kuti
undiitire noise!!!" Munya akadaro
achimukava achimurova
nechibhakera

*Tatenda*
Ndakamuka makuseni muviri wese
uchirwadza eshh nhumbu iyi ichiri
diki asi zvairi kundiitira ka mashura
chaiwo. Ndakamuka ndichienda ku
kitchen ndichinogadzira breakfast
yevanhu 4 ini mhamha ne vanin'ina
vangu. Ndapedza mhamha vakapinda
vachinyemwerera vachigara pasi.
Wow smile iyi ndeyekuti
vandiregerera here
"Wamuka sei mwanangu ndiwe waita
zvose izvi?"

Ndisati ndavapindura foni yangu


yakarira ku bedroom ndakamhanya
ndichienda ko. Vaiva baba .
Ndakadaira ndichienda ku kitchen
taitaura hedu nyaya vachandiudza
kuti vave pedo kuuya what what
."wave kuva funga baba vako
wakanganwa chinhu chiri pauri?"
Mhamha vakadaro handina
kuvapindura ndakatanga kudya
chikafu changu. Ndave pedo
nekupedza tea ndakanzwa mudumbu
mangu uchirwadza

Ndakazvi ignowa pamwe zvinoitika


pamunhu akazvitakura.
Ndakaenderera mberi nekudya asi
mudumbu Makati unonyeba
"Ashuu mhamha mudumbu mangu
muri kurwadza"

Mhamha vakaita sevasingandinzwi


vakaenderera mberi nechikafu Chavo
"Mhamha kani ndiri kurwadziwa!!!!"

"Imwi endai munotamba" mhamha


vakadaro vachidzinga vana. Vakabva
vabuda apa ndaiva ndave
kurwadziwa zvakanyanya

"Mhamha ndinokumbira mufonere


ambulance ndiri kurwadziwa "
Mhamha vakadhonza chair vachigara
mberi Kwangu vachinditarisa. WTF
nei mhamha vachindidaro

"Please mhamha ndiri


mumarwadzo!!!!"
Ndaiita sendiri kutaura ndega
vaitotambisa foni yavo
zvavo.ndakaedza kutora foni yangu
asi vakanditorera. Ndakanzwa
sekunge pane chinhu chiri kubuda
pandiri. Pandakazvitarisa ndakaona
ropa richiyerera mumakumbo.
Ndakachema uku mweya waiita seuri
kubuda

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/B55MCS
1s3u89822uuPyXZX
*From chapter 1 pindai umu EǥE
ǥEǥ*

*ANENYASHA*

*Written by: Makalulue*


*Edited by Ellena*

*Chapter 38*
*Anenyasha*

I dont believe this yoo. Chii chaitika


nezuro nezuro. Munyaradzi ave
kupenga here? Ko nei
asingazvigamuchiri kuti ini ndiri
mukadzi wa Tafadzwa now. I don't
know ndiite sei. But kunyarara
nenyaya yakadai hazviiti ukuvo kuti
nditaure zve hazviiti zvinenge zvoita
sekunge ndinoda kurwisanisa
Mpume na Munyaradzi. Ndichiri
mukufunga foni yangu yakarira aiva
Taffy

"Good morning mukadzi wangu"

"Murume warara sei?"


"Ndarara mushe, uri right here Ane
coz unenge usiri right?"

Ndakanyebera kuseka, handidi


kumuudza zvaitika Taffy mupengo
ndinomuziva angarara ava pano oita
noise

"Yah ndiri right chete ndanga ndajaira


kuti unomuka uri pedo neni"

"Ohh I miss you too babe hanti dai uri


pano ndatorova chimutsa neda**"
ndakaseka

"Ayy Taffy rega ndiende ku kitchen


ini"
"Okay babe uve right usazouya
waonda ka"

Okay bye" ndakadaro ndichiseka


ndichikata foni yangu

Ndakaenda ku kitchen ndikawana


Mpume ari busy. Pandakapinda
akavhunduka achinditaridza kutya.
Chiiko chiri kuitika pana Mpume

"Morning" ndakadaro

"Morning" Mpume akadaro achitarisa


pasi
"Mpume are you okay?"

Misodzi yakatanga kuyerera Pana


Mpume. Ndakamutora ndichienda
naye mu room mangu
ndichimugarisa pasofa.
Ndakamutarisa kumeso ndikaona
ziso rakazvimba. Pane Zviri kuitika
chete Pana Mpume. Pane munhu ari
kumushungurudza. Ohh not munhu
asi ndi Munya
"What's going on Mpume?"

"Handichadi kugara pano ini.


Anondishungurudza" Mpume akadaro
achichema

"Ndiye akuita izvi?"


"Ehe, kubva zvandakauya pano
anondirova, ndave kuraramira
tsvimbo chete"

Ndakaswedera pedo naye

"I'm sorry Mpume nezviri kuitika pauri.


Neyi usingaudzi vanhu vakuru
nezvenyaya iyi"

"Mwana wangu Ane zvose zvandiri


kuita ndiri kuitira mwana wangu"
Mpume akadaro achindiratidza
mavanga aiva akazara muviri wese
zvese nemumusoro. Munyaradzi
anorwara pfungwa here
"Mpume kana usingakwanisi
kuvaudza ini ndichavaudza
handingabvumi kukuona wakadai.
Remember kuti Bridget akafa
achiuraiwa nemurume nekuda
kwekunyarara. Newevo ndizvo
zvaunoda kuti zviitike pauri here?"

Mpume akadzungudza musoro.


Aewa vanhu vakuru vanofanirwa
kuziva nenzenyaya iyi. Better
vandivenge once. Ndakatora Mpume
ndichienda naye kwaiva kwakagara
vanhu vakuru. Mpume airatidza kuti
aitya asi ndakamudhonza ndichienda
naye. Ndakasvika tikagara pasi
ndikavaudza nyaya yose. Munhu
wese akavhunduka nechiitiko ichi asi
ndinoziva hangu Munya anodiwa
pamusha pano hapana
zvavachamuita vachangoudza Munya
kuti asiye zvaari kuita zvobva zvapera
zvakadaro.

"Ichokwadi here chiri kutaurwa


Munyaradzi?" Mambo vakabvunza.
Munya haana kupindura

"Ndati ichokwadi here iwe


Munyaradzi kuti uri kushungurudza
mukadzi wako?"

"Iwe Munyaradzi nei


uchishungurudza mukadzi?" Bamkuru
vakadaro.

"I'm sorry ndinoziva ndanga


ndisingafanirwi kurova Masithole
chete ndanga ndakatsamwa" Munya
akadaro

"Zvino kana wakatsamwa


unopedzera shungu dzako
kumukadzi. Nei usingapedzeri
kumunhu akutsamwisa" bamkuru
vakabvunza

"I'm sorry handichapamhi


zvevkumurova Masithole " Munya
akadaro
"Ini ndinoona sekuti zviri nani kuti
Masithole adzokere hake kumba
kwake" bamukuru vakadaro

"Hazviiti hanti unoziva kuti Chii


chakakonzera kuti Masithole ave
pano" Mambo vakadaro

"Saka mwana wevanhu ofa here


achiuraiwa negoritoto iri?" Bamkuru
vakabvunza

Ndakaona Munya achinditarisa


nerimwe ziso. Handina basa naye.
Ngaatende kuti handina kuvaudza
zvaanga achida kundiita nezuro

"Munyaradzi na Masithole hapana


zviri kuitika pakati Pavo. Masithole
Ari pano nenyaya yemwana Saka
ndichadai so. Masithole
uchashandisa rimwe room
kungonzwa chete kuti wagumha
Masithole ndichakupwanya kunge
inda mpfana" bamkuru vakadaro.

Ndakaitarisa Mpume
"I'm sorry baba nekubvunza asi
ndanga ndichikumbira kubvunza
Mpume kuti iye Ari kufungei nenyaya
iyi?" Ndakabvunza

"Masithole Ari pano nenyaya


yemwana wake, Saka ngaamire
pagadzirwe zvinogadzirwa then
ozoenda hake"
"Ndakatarisa zve Mpume

"Ehe ndichamirira kuti Popo apore


then kana ava right ndozoenda
hangu" Mpume akadaro

Ndakashamisika nazvo. I'm scared


nezvandaona mumuviri ma Mpume.
Sometimes kunonzi munhu akafa
achizvisungirira or nepfuti kana
pasina kugadzirwa vamwe vanozofa
ne same thing. Ndizvo zvandiri kuona
manje, Mpume achaita zvakaitika
pana Bridget nekuti nyaya iyi Ivo
vanoitora senyaya diki nekuti havazivi
zviri mumuviri ma Mpume

"I'm sorry Masithole" Munya akadaro


Mumba makamboita runyararo. Mai
Munya vakatarisa Munya
vachidzungudza musoro.

"Munyaradzi unoziva zvinhu zvauri


kuita zvinogona kukupinza mujeri?"
Mambo vakabvunza

"Ndinoziva" Munya akadaro


"Masithole pamwe takufambira mberi
pamwe unoda kuti Munya aende
kujeri" bamkuru vakabvunza

"Aewa ndikamuendesa kujeri vana


vangu vangazonditsamwira.
Ndichamiregerera asi akapamha zve
ndichamuendesa kujeri" Mpume
akadaro
Vakazotaura vachitsiura Munya,
vapedza ndakabatsira Mpume kuisa
zvinhu mu room raacharara . I'm still
think zvinhu zvandaona mumuviri
make. No ways Munyaradzi deserve
jeri chairo. Ini handifungi kuti
ndingazvimirira izvi. Taffy
kungondiisa ruoko chete anobva
atondiziva.
*Tafadzwa*

Ndiri kuchipatara Ndanga ndichiita


imwe operation. Pandapedza ndaona
ma doctor nema nurse achimhanya
mhanya I'm sure pane munhu ari
kurwarira kufa. Ndakabuda
ndichiendako. Ndakaona
vachimuendesa ku ward yevanozvara.
Ayy handinei nevanhu vanozvara ini
asi munhu wacho anenge ari
kurwarira kufa. Zvichakadaro
ndakaona doctor Mbedzi achiuya
kwandiri achimhanya

"Dr Zvayi vari kukumbira rubatsiro


rwako"

"Handizvarisi ini"
"Haasi kuzvara ane mimba please
doctor come help us"

Ndakabuda ndichiendako.
Pandakasvika ndakavhunduka
ndichiona ari cousin wa Ane.

"Ari kunzwei?"
"Hatizivi doctor asi musikana ari
pregnant uye moyo wemwana
wakanyarara kuti zii"

"Handisi kunzwisisa ini. Chii chaitika


kusvika asvike pa situation iyi?"

"Mai vacho vari panze bvunza Ivo"


Ndakatora stethoscope yangu
ndichiteerera if achiri kufema.
Aifemera kure zvekuti anytime
tinogona kumuruza. Ndakanzwa
kupera Simba pandakafunga Ane.
Achati kudii kana paitika something
pana Tatenda. Apa hazviiti kuti
timubise mwana uyu nekuti
pangazobuda mweya mudiki iwoyo
wasara paari. Ndakatarisa doctor
Mbedzi
"Wanga wamutarisa here kuti
problem chii chakonzera zvose izvi?"
Ndakabvunza

"Yes aita ma complications ne


pregnant yake. Problem anonoka
kuuya kuchipatara"
"Mbedzi ndinokumbira undidanire
Kwenda"

Mbedzi akabuda achimhanya


achidzoka na Dr kwenda. Takapfeka
ma gloves tichiedza kumuita
operation asi mukana wekurarama
paari mushoma pazvinhu zvatichaita

*Mai Tatenda*
Ndiri kurohwa nehana shame. Mwana
wangu ari kufa. Masango achati kudii
nenyaya iyi kana akainzwa. Hanti
ndingafira kujeri. Ndakatendeuka
ndichienda kuchimbuzi ndakaona
doctor achiuya Kwandiri

"Wati kudii kwavari?"


"Handina kuvaudza kuti amweyi"

"Good ndichakuisira Mari Yako.


Hapana munhu anofanirwa kuziva
nyaya iyi"

"Okay mom" doctor akadaro achienda


*Tafadzwa*

We doing operation I was scared


panogona kuitika something but
thank God takwanisa kubudisa
mwana. Takabuda panze ndakaona
umwe mudzimai aichema,
paakationa akamhanya achiuya
kwandiri. I wish dai ndine nguva
ndamubvunza zvinhu zvaaiita pana
Tatenda but I don't have time
yekutambisa. Uye kumuona chete
kunondipa hasha. Pandaida kuenda
akandibata ruoko

"Ari sei mwana wangu"

"Tamuita zvatamuita asi haasati ava


right"
"Handisi kunzwisisa"

"Haasati ava right asi takwanisa


kubudisa mwana ndiye anga achiita
hupenyu hwake huve munjodzi"

Ndinotenda"
"Ndakaenda ku office kwangu,
ndakasvika ndichitora foni yangu
ndichifonera Ane. No Ane anofanirwa
kuuya kuno. I'm sure mbuya vake
vane zvavanoziva panyaya yose iyi"

"Tafadzwa na Anenyasha"
"Anenyasha dza Taffy uri sei"

"Ndiri right babe uri sei iwe?"

"Ndiri right "

"No haasi Tafadzwa wandinoziva uyu


chii chiri kuitika Tafadzwa "

"Ane unofanirwa kuuya mangwana"

"Taffy handisati ndava ne two days


ndiri pano. Kwakanaka here"
"Hakuna Ane huya please pane nyaya
yakakosha yandiri kukudanira"
ndakadaro ndichikata foni

I know kuti Ane haangabvumi kuuya


anenge achitya kuti vanhu vachati
kudii. Ndakatora foni ndichifonera
mhamha ndichivaudza nyaya yose.
Vakazondivimbisa kuti
vachamusunungura Ane auye .Aewa
Ane anofanirwa kuuya mbuya vake
handivavimbi kuti vangatarisa
Tatenda. Zvichakadaro pakapinda
umwe doctor achindidana paiva
nemurwere wandinofanirwa kuno
attender

*Anenyasha*

Nei Tafadzwa ati ndiuye ku Harare Ini


ndichangosvika kumusha.
Ndakaedza kumufonera asi haana
kudaira I think adzokera
kubasa.ndakaenderera mberi neku
cleaner mu room mangu. Ndakanzwa
knock pa door ndakanovhura vaiva
Mai Munyaradzi. Vakapinda
vachigara pasofa tichimhorosana.

"Ndafonerwa na Tafadzwa ati


unofanirwa kuuya pane zvinhu
zvaanoda kuti umubatsire nazvo"
"Ndichangobva kutaura naye, Ndanga
ndichifunga kuti anonyeba Ini"

"Aewa Ari kutaura chokwadi


mangwana chaiwo umuke uchienda
mwanangu" Mai Munyaradzi
vakadaro vachisimuka vachida
kuenda asi pavakasvika pa door
vakadzoka vachiswedera pandiri
vachindibata maoko vachinditarisa
"Ndinoziva kuti unofunga kuti
ndinokuvenga asi handikuvengi
mwanangu chete nyaya yenyu
yakandivhundutsa asi manje ndiri
kuona kuti munodanana zveshuwa
uye unoremekedza mwanangu.
Ndiregerere nemabatiro andanga
ndichikuita"
"Ndinotenda mhamha
nekundiregerera"

Mai Munya vakandihaga vachibuda


vachienda. Wow zvinhu zviri kuitika
here izvi or I'm dreaming..
ndakanyemwerera ndichigara
pamubhedha

*************
Manheru ndairongedza mbatya
dzangu Mpume akapinda

"Sorry to disturb"

"No hauna kundi disturb ndanga


ndichitobhowekana ndega"

Mpume akagara pasofa achinditarisa

"Mumwedzi inouya ndiri kuenda


kumba ndinokumbira unditarisire
vana vangu kana uri pano"
Ndakamutarisa ndichishamisika.

"Nei uchitaura uchidaro?"

"Ndiri kungotaurawo hangu life is too


short uye ndiri kuona Jay anoda
Tafadzwa kudarika baba vake Popo
newevo anokuda zvakanyanya saka
ndinoona kuti kana vanemwi vanenge
vari safe besides kuenda kumusha
Ane Ini hupenyu panyika hapasisina
ndakafa kare ini Munya akandiuraya
kare ndakakuvarira mukati ndiri
kunzwa kuti ndave kuita
zvekumanikidza asi hupenyu pandiri
hausisipo"

No no Mpume usataura uchidaro we


can go kuchipatara iwe uchararama
kusvika vana vako varoorwa
nekuroora" ndakadaro ndichimuhaga
"Handifungi kudaro Ane. Chengeta
mashoko angu" Mpume akadaro
achibuda achienda

Ndakasara ndakangoti tuzu, nei


Mpume achitaura mashoko akadaro

*Tafadzwa*
Nhasi mudiwa wangu ari kuuya I can't
wait, chero kubasa handina kuenda.
Ndakamumirira shame. Hours later
akandifonera achindiudza asvika ku
rank ndakaenda kunomutora.
Takasvika kumba handina kutambisa
nguva takatamba mutambo wedu,
tapedza takageza achibva avhura
chikafu sezvo aiva apfuura pa
chicken licken achitenga chikafu.
Handina zvandakamuudza about
Tatenda achazvionera ega ndangoti
andiperekedze kuchipatara

*Paida*

Hana iri kuita madiro pandiri sezvo


vanhu vekwa Zvayi vanga vari pano,
I'm sure vanga vauya kuzoudza baba
nezvenyaya yangu na Ethan. I wish to
know kuti baba vati kudii kwavari dai
vakasaramba baba please. Kubva
zvaenda vanhu vekwa Zvayi baba
havana zvavati vataura. Ndiri
kungotenderera mu room mangu
handizivi ndiite SEI. Zvichakadaro
mhamha vakapinda vachiti baba vari
kundidana.

Ndakavatevera kumashure uku Hana


yairova zvekuti aiva pedo neni
aiinzwa. Ndakasvika ndichigara pasi
"Ndauya baba" ndakadaro ndichigara
pasi

"Unomuziva Ethan Zvayi"

"Ehe Mhukahuru"
"Chii chako?"

Handina kuvapindura ndakaramba


ndakatsikirira pasi

"Tiri kutaura Mai Mushavi"


"Mukomana wangu baba" ndakadaro
ndichitarisa nzvimbo pamwe
ndingawana gomba ndihwandemo

"Une sure nazvo here kana kuti pane


akakumanikidza"

"Aewa baba"
"Okay kana une chokwadi nezvauri
kuti tevera moyo wako mwanangu"

Ndakavatarisa ndichishamisika

"Wakura Paida uye wanga


wakazvichengeta Saka papi pacho
pandingakuvharira mufaro wako"
"Ndinotenda Mhukahuru " ndakadaro
ndichisimuka ndichinovahaga
ndichihaga na mhamha

*Anenyasha*

I wish to know kuti Tafadzwa


andidanirei nekuti kubva zvandasvika
haana zvaati andiudza. Kuti anga ava
kundifunga here? Aewa anenge
achipenga zve. Ndaichinja ukuvo
naiyevo achichinja ati
ndimuperekedze kuchipatara.
Tapedza takanopinda mumota
tiichienda.

Takasvika kuchipatara tikananga mu


office make, akasvika achitanga kuva
busy nema files ake
"Saka ndichagara pano here?"

."asi unoda kunorara pamubhedha


wevarwere?"

"Aewa dai hangu ndazvirarira


pamubhedha wangu kumba"
"Ohh sorry love hande pane
zvandinoda kukuratidza"

"Chii Tafadzwa" ndakabvunza


ndavhunduka

"Usavhunduka babe hande"


Takateverana tichinopinda mune
rimwe ward. Ndakavhunduka
pandakaona Tatenda akarara pa bed
akazara michina. Ndakamhanya
ndichienda kwaari

"Tatenda!!!! Tatenda!!!" Ndaka


screamer ndichimubata dumbu asi
raiva flat. Ndakatarisa Tafadzwa
Tafadzwa chii chaitika paari?"

"Babe achavara right"

Ndakanzwa kupera simba Tafadzwa


ndaiva ndave kumuonera kure
"Anenyasha!!!!" Aiva Tafadzwa asi
ndaimunzwira kure

***************

Handizivi Chii chiri kuitika pandiri


ndakapepuka ndakarara
pamubhedha wechipatara. Tafadzwa
aiva akagara pedo neni. Pandaida
kumuka Tafadzwa akandimutsa

"Chii chaitika pandiri?" Tafadzwa


akanyemwerera

"Congratulations Mai mushavi we are


pregnant"
"What ?"

"Yes babe unopamuviri"

"Wow tave kuzoita vabereki thanks


daddy"
"Thank you too Mai mushavi" Taffy
akadaro tichihagana.

"Asi Tatenda ach---

"Don't worry about Tatenda Ari


mumaoko Ari safe"
Taffy akadaro achindihaga. Mufaro
waanawo unoonekwa chero
nemwana mudiki

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/B55MCS
1s3u89822uuPyXZX

*From chapter 1 pindai umu ȯǤȯ


ǤȯǤ*

*ANENYASHA*

*Written by Makalulue*
*Edited by Ellena*

*Chapter 39*

*Anenyasha*
Handisi kuzvi believer kuti mwana
waTatenda haasisipo kuti chii
chakaitika paari? Ndiri kusvora ini
kuti ndimbuya vane ruoko pazvinhu
zvose izvi. Mbuya vane moyo
wakashata Tafadzwa
akazondiregedza
"Chii manje?"

"Ndimbuya vaita zvose izvi"

"Hameno hatizivi nezvazvo saka


hatingavape mhosva. Tichaziva
zvakanaka kana Tate amuka"

Ndakaona misodzi wave kuyerera


pandiri

"Achopora here?"
"Yes babe achapora cousin wako"

Ndakamuhaga tichibva taenda


kuward yaTate ndakaona mai vake
varipo vaiva vatosvika kuzomuona
ndakaenda kwavari straight.
Ndakavaona vachichema and I'm
sure kuti vari kunyepera kuchema
"Mbuya makadii"

"Ndiri right mwana wangu haasati


amuka here?"
"Ooooh I'm sorry nezvinhu zvaitika
pana Tate" ndakadaro ndichitora foni
yangu

"Rega ndifonere Kule ndivaudze kuti


neniwo ndiri kuchipatara"
"Nei uchida kuvaudza izvozvo?
Ndokumbira usafanera murume
wangu"

Ndakavatarisa ndichishamisika.
"Nei?"
"Ari kure akaenda nebasa saka
ndakamuudza kuti Tate ari kurwara
anozofunga kuti inyaya hombe obva
aita stress"

Yaaah mbuya vari kutaura chokwadi


havo. Asi chero zvakadaro pane
zvavari kuvanza chete
"Ndimwi hanty?" Ndakabvunza
ndazvipa chivindi chero hazvo ndaiva
ndisiri shuwa

"Ndini ndadii?"
"Maita zvose izvi pana Tatenda"

Mbuya vakanditarisa vachivhunduka


and pakutarisa kwavo vairatidza kuti
pane zvavanoziva chete

"Unopenga here iwe unofunga


ndanga ndichaita zvinhu zvakadaro
pamwana wangu here, unofunga
ndanga ndichida kubisa nhumbu
yemwana wangu?"

"Ndiani ati mabisa nhumbu yake


nekuti ini hazvisizvo zvandiri kureva
ndiri.........." Pandaida kutaura Taffy
akabudikira achinditora achiti tiende
kuoffice kwake misodzi yaingoyerera
"Babe wanga uchiti kudii kuna mbuya
vako?"

"Ndivo Tafadzwa ndivo vaita zvose


izvi kuna Tate sei vaita zvinhu
zvakadaro pamwana wavo"
"Ndinokumbira udzore moyo
Mandlovu achawana mutongo wake
okay"

"Ndinoda Kule vauye ini"


"Vachauya babe usanyanya kufunga
remember wakatakura mwana
wangu"

Ndakanyemwerera ndichibva ndagara


muoffice make iye aiva busy nebasa.
Apo moyo wangu waingova kuna
Tate chete achanzwa sei
paachamuka kuti mwana wake
ashaya hazvisati zvamboitika zvinhu
zvakadai pandiri asi ndiri kurwadziwa.
Unenge uchizviudza kuti wave
kuzoita mubereki asi Mwari voita
kuda kwawo ndaiva ndakagara
ndichiedza kuona laptop yaTafadzwa
asi hapana zvinhu zvainakidza
zvandaiona ndakabva ndatorara
pasofa. Ndakanzwa munhu ave
kundimutsa aiva Tafadzwa
"Ko watorara?"

"Yaaah ndabhowekana nelaptop


yako"

"I'm sorry kukusiya wega"


"Nei usiri right?"

"Pane murwere wangu ashaya"


Ndakasimuka ndichimuhaga

"Oooh what a bad news sorry babe"

"Yaaah ndiri kunzwa sekunge


ndatadza kumuponesa"
"Tafadzwa usataura zvinhu
zvakadaro unoziva iwe kuti hausi
Mwari saka haunga kwanisi kudzora
zvido zvavo"

"Yaaah uri kutaura chokwadi handisi


Mwari kana Mwari vabvuma ini ndini
ani kuti ndingaramba"
"Tave kufanirwa kuenda kumba
manje usvike uchizorora"

"Ave sei Tate?"


"Usanetsekane naye uyo achava right
chete pari zvino akaneta asi
achamuka" Taffy akadaro tichienda
kumota

Muviri wangu waiva weak handifungi


ndichakwanisa kubika. Ndakaudza
Taffy tikapfuura tichitenga chikafu
kumashops chatichadya. Aiva ave
kundibvunza kuti nhumbu yangu
inofarirei shooo mukomana uyu
drama rose iri here

*TAFADZWA*

Ane kubva zvaaziva nyaya yacousin


wake haasi right handidi kumuona
akadai. Ndakamuisira chikafu
mundiro apo iye aiva akarara pasofa

"Ndakaguta Taffy ndichadya


mangwana"

"No Ane une nzara ndinokumbira kuti


udye" ndakadaro ndichigara pedo
naye ndichitanga kumudyisa

"Vhura muromo Ane'

Naiyevo akaita sekudaro


ndakamudyisa kusvika apedza
tichibva taenda muroom medu
ndakasvika ndichimuisa pamubhedha.
Handidi kumuona akadai manje

"Ndinokumbira usanyanya kufunga


babe nekuti une mweya
wakadependa pauri"

Ane akanyemwerera. "Yoooh handisi


kuzvi believer kuti ndave kuzoita
mhamha"

"Neniwo ndave kuzoita baba"


ndakadaro ndichimuhaga

¥ ¥ ¥ ¥ ¥
Mangwana makuseni ndakafonerwa
kuchipatara vachiti Tate amuka
ndakatarisa Ane ndichinyemwerera
ndichibva ndamuudza nyaya yose
akaratidza kufara. Akabva atondiudza
kuti tigadzirire tiri kuenda kunoona
cousin wake.

*Anenyasha*
Tafadzwa paandiudza kuti Tate
apupuka ndanzwa sekunge ari
kundiudza kuti ahwina lotto nemufaro
wandanga ndiinawo. Takabva taenda
kuchipatara patakasvika kuchipatara
ndakamhanyira kuward kwake
ndakamuona akarara pamubhedha
akatarisa mudenga. You can see kuti
munhu ari kufunga zvakanyanya
"Cousin"

Tatenda akanditarisa misodzi


ichiyerera asi akaratidza kufara
paakandiona
"Anenyasha"

Ndakamuhaga neniwo ndichichema

"Ane mwana wangu" Tate akadaro


achichema
Zvichakadaro Taffy akapinda

"Chiregai kuchema zvido zvaMwari


hapana anga zvidzora" Taffy akadaro
Tate akatanga kuchema. "Ndeuya
mukadzi wandinodana ndichiti
mhamha"

Takashamisika naTafadzwa

"Mai vako vaitei?" ndakabvunza


"Vandiisira piritsi reabortion mutea"
Tate akadaro

Takavhunduka but zvakamufita


mukadzi uya. Tate akatiudza zvose
zvaiva zvaitika. Yoooh mukadzi uya
ane hutsinye angaite zvakadaro
shuwa kumwana wake

"Chirega kuchema Tate" ndakadaro

"Handidi kudzokera kumba ini baba


vasati vasvika aaah mhamha vanga
ndiuraya" Tate akadaro
"Sununguka uchaenda kunogara nesu
kusvika baba vako vauya" Tafadzwa
akadaro

"Yaaah usanyanya kufunga uchava


safe kumba kwaTafadzwa"
Zvichakadaro mbuya vakabudikira
pavaida kupinda ndakanomira mberi
kwavo

"Muri kuenda kupi?"


Vakashamisika. "Ndauya kuzoona
mwana wangu"

"Tate atiudza zvose nei maita


zvakadaro pamwana wenyu?"
"Haungandiudzi zvekuita iwe ndinoda
kuona mwana wangu"

"Tate haadi kukuonai so ndokumbira


kuti muende"
"Muchabuda here kana kuti ndidane
masecurity" Tafadzwa akadaro

"Ndinoda kuona mwana wangu"

"Hapana mwana wamuchaona pano


Tatenda tiri kuenda naye kumba
kwedu muchasara nehutsinye
hwenyu. Kule vari kuuya
ndichavaudza zvose zvaitika"

"Usapinda nyaya dzingakudi" mbuya


vakadaro

"Iyi haisi yevanhu ndeyamwana


waKule vangu saka ndine kodzero
yekumutaurira"

Vakabva vanyarara

"Sies iwe mudzimai une hutsinye


unoroya masikati machena"
ndakadaro ndichidzokera mukati
ndakasvika ndichigara pedo naTate
"Handidi kuvaona Ane"

"Haumbovaoni chirega kuchema


manje" ndakadaro tichihagana
*Next day*

Takaenda kunotora Tate kuchipatara


Tafadzwa anga atsvaga vanhu kuti
vatarise Tatenda mai vake
vasambomuona zvake. Takasvika
kuchipatara takamutora you can tell
kuti haasi right chero muviri
wakadzikira. Takadarika nekumashop
tichitenga zvinhu zvaachadya sezvo
aiva pasituation ane chikafu
chaanofanirwa kudya

Takasvika kumba tikamuendesa


muroom make ndakamugadzirira
chikafu ndichibva ndamuendesera
ndakumuwa atoras ndakasvika
ndichimumutsa akamuka achibva
agara pasi.
"Handina nzara ini ndinoda kuzorora
chete"

"Ayewa unofanirwa kudya nekuti


hausati wadya ndinoziva kuti une
nzara"
"Ini chinhu chandoda kurara chete
ndipeiwo mapiritsi achaita kuti
ndirare"

"Kana usina kudya unopererwa


nesimba okay ndokumbira umwe
mapiritsi"
Tate akanyemwerera asi unomuona
kutu kunyemwerera kwake
kwakaneta. Ndakaenda kukitchen

"Ari kudya here?"

"Ndauya kuzomutorera maheu"


"Okay"

Ndakatora maheu ndichienda nawo


muroom make ndichamumirira
ndione kuti anomamwa here.
Zveshuwa akaamwa asi asati apedza
aiva ave kuda kurutsa ndakamutora
ndichienda naye kuchimbuzi akasvika
achimarutsa ose. Ndakarwadziwa
kuti chikafu hachisi kupinda paari
ndakamubatsira kumuendesa
pamubhedha

"Oooh I'm sorry"


"I think ndichadya later"

Ndakadana Taffy akamumiswa


mapiritsi achibva arara takaenda
muroom medu naTafadzwa paaida
kundipa chikafu neniwo ndaiva
ndisisina appetite asi ndakaramba
"Ndokumbira usadaro babe please"

"Wamuona here kuti mwana wa kule


arisei?" ndakabvunza ndichichema
nekuti ndairwadziwa

"Yes asi unofanirwa kuva strong for


her kana iwe wakadai unofunga kuti
iye achava sei?"

Handina kumupindura

"Please Mandlovu wangu uitire


mwana wedu ari mudumbu"
Ndakanyemwerera kutokanganwa
kuti ndine pamuviri. Ndakatora
chikafu ndichidya kusvika ndapedza

"Unofanirwa kufonera Kule"


"Ndichati kudii kwavari?"

Ndakatora foni yangu ndichivafonera


luck vakadaira

"Muzukuru wangu" Kule vakadaro


"Kule murisei?"

"Ndiri right"
"Neniwo ndiri right ndinokumbira
kubvunza kuti munouya rinhi?"

"Ndanga ndichifanirwa kuuya svondo


rinouya asi ndave kuuya mangwana"
"Manga mavaudza here mbuya kuti
muri kuuya?"

"Ayewa handina nei uchibvunza


izvozvo?"

"Ndokumbira kuti musavaudza Kule"


"Nei?"

"Ndinokumbira kuti musvikire kumba


kwaTafadzwa pane zvinhu
zvatinofanirwa kutaura zviri secret"
"Muzukuru wave kundityisa manje"

"Ayewa sekuru musatya hapana


zvakaipa hazvo ndokumbira
mundivimbe imi itai izvozvo chete"
"Okay ndichaita sekudaro"

"Ndinotenda Kule" ndakadaro


tichionekana
"Vati kudii?" Taffy akabvunza

"Vabvuma"

"Oooh that's good"


*PAIDA*

Handisati ndambofunga kuti inini


ndichafa ndakablusher nekuda
kwemukomana. Now I see manje kuti
ndinomuda Ethan kwete zvekufungira.
Ndichangobva mukutaura naye
pafoni ndakazvigadzira sezvo
ndichienda kunomuona. Nhasi izuva
rangu rekutanga kunomuona kubva
zvandakamuudza kuti ndinomuda
akandiudza kuti akamisa mota kupi
ndakaenda ikoko ndakasvika
ndichipinda mumota tichihagana asi
ini ndaifa nenyadzi.

"Urisei" Ethan akadaro


achinyemwerera
"Ndiri right urisei iwe?"

"Ndave right manje nekuti ndakuona


tsvarakadenga yangu" Ethan akadaro
achinyemwerera achimutsa mota
Takaenda kune imwe nzvimbo pasina
munhu achatikanganisa. Takabuda
mumota tichinogara pasi aiva
akabata zvinhu zvinonaka. Takasvika
tichiwaridza tauro tichigara pasi
awwww ndozvinoita rudo rwacho
handisati ndamboitirwa zvakadai ini
ndinongozviona pamatv. Ok so
ndopicnic yacho IM happy kuti nhasi
zviri kuitika pandiri
"This is all for you mudiwa" Ethan
akadaro akanditarisa
achinyemwerera

"Thank you so much"

Ethan akatora strawberry


achindidyisa, yoooh nyadzi zvadzaiva
dzave kundiita so but soon munhu
uyu achave murume wangu saka
ndofanirwa kusanyara mberi kwake.
Tagara kwenguva yakareba
tichikurukura ndakapedzisira neniwo
ndave kukwanisa kumuudza nyaya
dzakasiyana siyana ndaiva ndave
kuenjoyer.

Chinhu chairema chete pandiri


ndepekukisana haaa ipapo manje
handisati ndambozviita ini before
imagine musikana akakura kunge ini
onzi haagoni kukisa yooh hayi hayi at
least iye anonzwisisa nekuti
ndamuudza kuti handisati
ndambodanana nemukomana.
Takazopedzisira takisina chero hazvo
zvairema asi ndakapedzisira ndave
kukwanisa ndave kuita zvakanaka
Ethan akanyemwerera achinditarisa.

"Thank you so much kundiita


murume pavarume"
Ndakanyara ndichitarisa pasi
akandihaga achibva andisimudza
tichinopinda mumota achindiendesa
kumba. Ko handifanirwi kusvika
kumba husiku

*NOMPUMELELO*
Nhasi izuva rekuzvarwa kwemwana
wangu I can see ndakura manje Popo
ave mhandara

"Happy birthday sweetheart"


"Thank you so much mommy"

Apo taiva tamuitira party ndakaona


Munya achipinda muroom akabata
mabaloon Popo akafara zvakanyanya.
Hapana chinhu chaanofarira
semabaloon
"Happy birthday princess" Munya
akadaro

"Thank you daddy" Popo akadaro


achihaga baba vake
"I love you so much mom and daddy"

Ndakanyemwerera. "Nesuwo
tinokuda mwanangu" ndakadaro
tichimuhaga tiri vaviri
Zvinondifadza kuona mwana wangu
achifara kudai ndivo vanhu vandave
kuraramira Jay naPopo.
Ndakamutora ndichinomugezesa
pane zvatamugadzirira for party

"Ndakura mhamha musandigezesa


aah"
Ndakaseka. "Haaah wakura"

"Ndakura manje neshamwari dzangu


dzichandiseka vakanzwa kuti ndiri
kugezeswa'
"Okay last day"

"Promise"

"Yes promise" ndakadaro ndichiseka


Ha ha ha ndave kuitiswa mapromise

*TAFADZWA*
Mangwana ndakamuka ndichienda
kubasa ndinofanirwa kutsvaga doctor
anga akabata case yaTatenda
pekutanga zvinoreva kuti andiudza
zvinhu zvisirizvo andiudza kuti
pregnancy yake yanga ine
complication izvo anga achinyepa.
Zviri pachena kuti mukadzi uya
amutenga kuti anyepe.

Ndakabva ndaenda kuna doctor


Ndedzi ndakasvika ndichimubvunza
kuti ndiani doctor anga akabata case
yaTatenda akandiudza kuti ndiani
ndanga ndatokanganwa zve musoro
wangu wakasangana nezvenyaya
yaTatenda. Ndakaenda kwaari
ndakasvika ndichimubvunza asi
akandiendesa zvinhu zvakasiyana
siyana asi akazopedzisira andiudza
nekuti pandiri haangapabudi kaa.

Akandiudza kuti mai Tatenda


vamutenga uye akakumbira
ruregerero kuti ndisaudza mukuru
wepachipatara izvo handifi
ndakazviita angabvume kutengwa sei
nemupengo wemunhu. Ndakamutora
ndichienda naye kuoffice ndichiudza
mukuru wechipatara nyaya yose.

"Ayy handisi kubeliever kuti ungaita


zvinhu zvakadaro pachipatara
changu"
"Ruregerero mukuru wangu hazvifi
zvakaitika futi neniwo ndakurirwa
nekura mari" doctor akadaro

"Ko yauri kuhora hauguti here?"


Mukuru wechipatara akabvunza
Akaramba akanyarara.

"Handinga chengeti vanhu


vakafanana newe pachipatara chino
uchakanganisa chipatara chino.
Unofanirwa kutenda kuti hatina
kukudanira mapurisa izvo zvanga
zvichaita kuti uloose license yako
saka ndokumbira kuti ubude
pachipatara changu"

Doctor Ndoro vakaedza kunyengerera


but they is no way yekuti vanga
mubvumira kushanda pachipatara
chino.

*ANENYASHA*
I'm trying kurara hope hadzibati
ndichingofunga Tate kuti ari kunzwa
sei nenyaya yose iyi ndakaona
Tafadzwa achimuka achinditarisa

"Babe nei usinga rare?"


"Hope hadzibati"

"Nei hope dzisiri kubata?"


"Handikwanisi Tafadzwa ndiri kuedza
asi zviri kuramba"

"Usadaro babe zvinhu izvi


zvichakonzera kuti urware please
rara babe" Tafadzwa akadaro
achindiswededza paari achindihaga
so tight
"Zvinhu zvose zvichava right please
babe cousin wako apora okay"

Ndakabvuma nemusoro ndainzwa


ndiri safe paari.
¥ ¥ ¥ ¥ ¥ ¥ ¥

Makuseni ndakamuka ndichigadzirira


Tate porridge sezvo pasina chinhu
chaanokwanisa kudya. Ndapedza
ndakamuendesera ndakamuona
akamira pawindow takaitana
mamornings tichibvunzana kurara
ndichibva ndamupa chikafu akadya
kusvika apeda ndakatora ndiro.
"Kule vari kuuya nhasi"

Tate akavhunduka. "Shuwa here?"


"Yes vachasvikira pano kwete kumba
kwenyu uye ndavaudza kuti vasaudza
amai vako kuti vari kuuya"

"I'm scared Ane baba vachandituka"

"Ayewa Kule ndinovaziva havangaiti


zvinhu zvakadaro"
"But vachava disappointed"

"Yaaa vanofanirwa kuva disappointed


asi havakutsamwiri manje
vanofanirwa kukusaupporta pazvinhu
zvaitika" ndakadaro ndichimuhaga
"Uchava right okay"

"Thank you so much cousin"


"You're welcome" ndakadaro
ndichienda kukitchen naye

Chinhu chiri kundifadza ndechekuti


ave comfortable zuro aiva asiri right.
Takagara pasofa tichiona TV

"Tafadzwa haasi kuenda kubasa


here?"

"Ayewa ari off nhasi"

"Okay thank you so much guys


mandibatsira zvakanyanya"
"Oooh I have good news"

"I love good news ngadziuye


ndakateerera"
Ndakaseka ndichipuruzira dumbu
rangu

"I'm pregnant"
Tate akafara. "Wow wow cousin
congrats I'm happy for you"

"Thank you" ndakadaro ndichienda


muroom mangu ndichinotora foni
yangu

Pandakadzoka ndakaona Tate agara


neshamwari dzaTafadzwa Roe
naPrince

"Hello guys"

"Hey Ane" Roe akadaro


Ndakaona kuti Tate aiva asisiri
comfortable uye ndairiona ziso
raPrince aingomutarisa

"I think ndinoda kumborara


zvishoma" Tate akadaro
achindizevezera
"Okay enda hako" ndakadaro

Tate akabva atosimuka ipapo


achienda muroom make
"I'm sorry nekukuudzai izvi asi chii
chiri kuitika pana sisi ava nekuti last
time ndichivaona vaiva vasina kudai?"
Prince akabvunza

"Eyi it's a long story" ndakadaro


"Make it short" Roe akadaro

Ndakaseka. "Varume vanoda nyaya


kudaro"

Vakaseka ndichibva ndavaudza nyaya


yose yaiva yaitika naivowo
zvakavashamisa.
"Yoo Mai ine hutsinye iyi" prince
akadaro

"Zvakaoma shame, I can imagine


marwadzo aari kunzwa mwana uyu"
Roe akadaro.
"Hezvo ko murume wako
haachasviki?" Prince akabvunza
zvichakadaro Taffy akabudikira

"Muri kundinyeya? "

"Haa iwe tanguri takagara pano" Roe


akadaro
"Muri kudei pano?"

"Tauya kuzokuona zve" Roe akadaro.

"Nhasi ndiri off so izuva rekuswera


nemukadzi wangu kwete nemwi"
"Haa Tafadzwa unoda kundivengesa
neshamwari dzako". Ndakadaro
vanhu vose vakaseka

Zvichakadaro Foni yangu yakarira


vaiva kule vaindiudza kuti vasvika
ndisende location. Takagara kwema
minutes kule vakasvika

Ndakaenda kunovatora
takamhorosana tichipinda mumba.
Vana Tafadzwa vakavamhorosa
tichibva taenda mu room maiva na
Tate. Takamuwana akarara akatarisa
mudenga. Paakaona Kule akabva
atomuka achigara

"Tatenda!!" Kule vakadaro vachienda


kwaari vachimuhaga.
"I'm sorry baba" Tatenda akadaro
achichema. Kule vakamutarisa
kwenguva yakareba

"Tatenda nei uri pano? Asi uri


kurwara here? Nei muviri wakadzikira
kudai?" Kule vakabvunza. Tatenda
akatadza chero kuvhura muromo
aingochema.
Kule ndakazovaudza nyaya yose

"I'm sorry baba" Tate akadaro

"Chirega kuchema mwanangu tose


tinoita ma mistake asi iyi yekuti Mai
vako vapinze hupenyi hwako
munjodzi handiinzwisisi. I'm sorry
kuti ndanga ndisipo kuti
ndikudzivirire" kule vakadaro

*Kule Masango*

Shuwa mukadzi wangu angaita


zvinhu zvakadaro pavana vedu here?
Vana vemazuva ano ndizvo zvavari
tinofanirwa kuzvigamuchira. Yes
panichi mwana anopiwa asi kwete
yekuuraya apa asara padiki kuuraya
mwana wangu

"Kule muri kufungei?" Ane akabvunza

"Ahhm Tate tinofanirwa kuenda


kumba manje" ndakadaro. Tatenda
akaratidza kudya
"Ndinewe mwanangu hapana
chichaitika pauri. Ane nemurume
wako ndinokumbira mutiperekedze"
ndakadaro tichienda ku sitting room

"Mukwasha ndinotenda zvakanyanya


nezvamandiitira kutaura kudai dai
mwana wangu tichidotaura zvimwe
"Ndanga ndichiita basa rangu baba"
Taffy akadaro

"Ndinotenda zvakanyanya"

**************
Tiri mumota manje tiri kuenda kumba.
Ndakafonera mapurisa. Mukadzi uyu
anofanirwa kufira mujeri. Dai asiri
Ane na Taffy dai kutaura kudai
Tatenda asisipo. Takasvika kumba
mapurisa asati asvika. Paakationa
akavhunduka. Ndakatadza kuzvibata
ndakamupa gwati rempama
rakamurasira pasi

"Masango"
"Chii chawaita pamwana wangu!!!?"

"Tate akanganisa baba aita zvinhu


zvaanga asingafanirwi kuita"

"Saka iwe ukaona zviri nani kuti


uuraye mwana wake? Ndakaroora
mhondi here ini"

"Ruregerero baba ipapindatadza


zveshuwa"

"Uri kumuona Tatenda akaona sei3?


Handina nguva Yako Dudzai uchafira
mujeri iwe"
Akavhunduka zvakanyanya

"Baba musandisungisa please


ndabvuma Wani kuti ndatadza"

Zvichakadaro mapurisa akabva


asvika. Ndakavaudza kuti vamutore
handina nguva yekutarisana naye
manje

"Please baba vana vangu vachasara


nani?"

"Ndiripo ini iwe enda unogara


kwaunofanirwa kugara"

Mapurisa akamutora achimupinza


mumota. Ndakatarisa Tate aichema,
ndakamuswededza pandiri
ndichimuhaga

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/B55MCS
1s3u89822uuPyXZX

*From chapter 1 pindai umu ȯǤȯ


ǤȯǤ*
*ANENYASHA*

*Written by Makalulue*

*Edited by Ellena*
*Chapter 40*

*Anenyasha*

*Four months later*


It's been 4months now Tate
akazogamuchira situation yake
neniwo zvinondifadza kumuona ave
right. Nhasi tiri kuenda kumusha tiri
kunovaona sezvo mangwana iri
birthday yaJay ndinoziva kuti
Tafadzwa haafi akakanganwa chinhu
china Jay mukati. Tinofanirwa
kuudza family kuti ndakazvitakura
nekuti havazivi kuti ndakazvitakura
uye vachashamisika pavachanzwa
nenyaya iyi.

Ndakaudza Tafadzwa ambomira


zvishoma asatanga nekuudza family
nezve pamuviri pangu. Pamuchato
waEthan naPaida nhumbu yaiva
isingaonekwi. Ooooh kovakachata
zve now ave munin'ina mainini ,
grocery takatenga nezuro
ratichaenda naro kumusha
takafamba mahour mashoma
tichibva tasvika.
Patakapinda mukati vose vakafara
pavakationa uye vakashamisika
pavakaona nhumbu yangu manje
yave kuonekwa.

"Haaaa mwanangu" mai Munya


vakadaro vachitarisa nhumbu yangu
Ndakanyara ndichitarisa pasi

"Ummm makorokoto vana vangu idzi


nyaya dzinofadza idzi" Mamoyo
vakadaro
"Tinotenda zvakanyanya
makomborero enyu ndiwo akaita
zvose izvi zviitike" Taffy akadaro

"Makorokoto bamunini" Mpume


akadaro
"Ayewa zvinodadisa izvi" Maidei
akadaro

"Ndinotenda zvakanyanya" ndakadaro


Baba vaTaffy vakafara zvakanyanya
nenyaya iyi. Ndakaenda muroom
maPaida ndikamuwana achi cleaner
akashamisika achindiona

"Hezvo ko hamutauri kuti masvika"


Paida akadaro tichihagana
"Hanti ndauya kuzokuudza kuti
ndauya here"

"Haaa and then?" Paida akabvunza


achitarisa nhumbu yangu

"Saka ndave kuzoita mainini ka"


"Yes soon tinenge tava nemwana"

"Wow I'm so happy for you Sisi"


"Neniwo ndinotenda, havakunetsi
here pano?"

"Ayewa havandinetsi pekutanga


ndaitya asi manje zvinhu zvose zviri
mugwara"
"Haiwa zvinokudzwa mwana wababa"
ndakadaro tichihagana zve

"Ndinofanirwa kuenda kumba


ndinoudza mhamha nababa kuti vave
kuzoita mbuya nasekuru" ndakadaro
ndichibuda
Ndakanoudza Tafadzwa tichibva
tabuda tichienda kumba kwedu.
Takasvika vabereki vangu
pavakandiona vakafara zvakanyanya
mhamha ndivo vakatanga kundiona
vakanyenwerera

"Usandiudza kuti ndave kuzoita


mbuya zve" mhamha vakadaro
"Ndizvo chaizvo mhamha"

Vakandihaga vachitarisa Taffy

"Ruregerero mukwasha chete


ndazofarira nyaya dzandiri kuona
idzi"

"Ndinonzwisisa mhamha" Taffy


akadaro

"Muri vapenyu henyu?" Mhamha


vakabvunza
"Ehe mhamha sezvamuri kutiona
kudai" Tafadzwa akadaro

Zvichakadaro baba vakabudikira


vachibva muroom mavo
"Aaah ndanga ndichambodaira foni
pano vangu makadii" baba vakadaro

"Okay baba, tauya pano kuzokuudzai


zviri kuitika pandiri" ndakadaro
"Chii chiri kuitika?" Baba vakabvunza

"Mave kuzoita sekuru zve" ndakadaro

Baba vakanditarisa vachinyemwerera


"Haaa ndakura manje ndakura" baba
vakadaro tichihagana

*TAFADZWA*
Mangwana makuseni ndakamuka
ndichienda kuna champion
pandakapinda muroom make
ndakamuimbira

~happy birthday to you happy


birthday to you happy birthday to
you~
Jay akamuka achinyemwerera

"Happy birthday mupfanha wangu"

"Thanks Superstar"
Ndakamuhaga. "Kura uremekedze
nyika mupfanha wangu. Nyika haidi
vanhu vanoibhaizira nhaika"

Jay akaseka. "Haaaa handifi


ndakazviita izvozvo baba"
Ndakamutarisa ndichiseka

"Iwewe wakazara hutsotsi


handikuchenesi usazoita gangster"
Jay akaseka. "Haiwa baba handingaiti
izvozvo hanti Mari nhasi tichabuda
monditengera something"

"Izvozvi muka unogeza tiende"

Jay akafara zvakanyanya achienda


kunogeza. Neniwo ndakadzokera
muroom mangu ndichinogeza. Ayyy
unoziva nyaya yekugezera mubhavhu
ndiyo inoita ndisauya kumba. Dai
ndiri kuHarare nditori pashower

"Uri kugezera kuenda kupi?" Ane


akabvunza
"Ndiri kunotengera Jay something for
his birthday ndiri kuenda naye"

"Okay asi ndokumbira usamudyisa


zvakanyanya sezvo iri party yake"

"Ayewa hatimbotengi chikafu"


"Good"

Ndapedza kugeza ndakaenda


kunodya breakfast munhu wese
aingomuti happy birthday. Tapedza
kudya takaenda kutown anofanirwa
kutenga chero chii chaanofarira
akatenga zvose zvaanofarira mbatya
dzinodhura ndakamutengera nefoni

"Nhasi hautengi toy car here?"

Jay akapera nekuseka. "Haaaa baba


ndave ne12 years manje munofunga
ndichiri kuita zvematoy"
Ndakamuseka. "Okay zvakwana here
zvinhu zvako?"

"Yaaah zvandanga ndichida


zvakwana baba"
"Okay hatingaiti mistake
yekusatengera Popo chicken inn
nekuti anga tiuraya"

"Yaaah ini ndanga ndatokanganwa"


"Tinofanirwa kuitenga kana tichida
kupinda pamusha paya" ndakadaro
ndichienda kunotenga

"Aaaah honai mhamha nababa" Jay


akadaro achivatendeka
"Ooooh vambotaura kuti vachapinda
mutown"

"Okay"
Tapedza kutenga takadzokera
mumota tichienda kumba.

*Mpume*

"Tiri mutown tauya kuzotenga zvinhu


zviri kushota paparty yaJay takapinda
maOK tikatenga zvose zvaanoda
tichibva taenda kushop yembatya.
Anofanirwa kupfeka mbatya itsva
takatengera naPopo handinga mboiti
mistake yekuti nditengere mwana
mumwe chete

"Dzakwana here mbatya?" Munya


akabvunza
"Yaaah dzakwana" ndakadaro
ndichiendesa mbatya kumota

Patakasvika kumota takaona umwe


mukomana anga akamira paside
pedu akazembera mota yake.
Mukomana uya akaramba
akanditarisa kwenguva refu chiiko
naye murume uyu? ari kunditarisira
chii. Pandakamutarisa akanditsonya
neziso izvi zvakaonekwa naMunya
Ooooh Jesus chiiko chaari kuita
murume uyu ndakaona Munya
achinditarisa nerimwe ziso.
Ndakatanga kudedera ndakabva
ndatopinda mumota naiyevo
akapinda
"Zvino iwe wave kufamba
uchitsonyiwa nevarume"

"Waona Munya kuti hapana zvandaita


ini handitombomuzivi murume
wacho"

Asi Munya akaridza tsamwa


achinditarisa nerimwe ziso. Oooh
Mwari wangu ndibatsireiwo pasaitika
chinhu pandiri ndaneta naMunya I'm
tired nekushungurudzwa this time
ndinofanirwa kuzvirwira
handingazvigoni.

*ANENYASHA*
Tiri busy kugadzirira party yaJay tiri
kushongedza imba yose anofanirwa
kuitiwa zvinhu zvihombe ndiye
muzukuru wekutanga pamusha pano
mai Munyaradzi vakabva vapinda

"Mandlovu unenge washanda


zvakanyanya wave kufanirwa
kuzorora" mai Munya vakadaro
"Neniwo ndikare ndichimuudza asi
nharo dziri paari so" Maidei akadaro

Ndakaseka. "Handisati ndaneta ini"


"Ayewa sisi zororai kani" Paida
akadaro

"Guys ndine pamuviri handisi


kurwara"
"Uchatiuraisa iwe naTafadzwa" mai
Munya vakadaro

Ndakaseka tichienderera mberi


nebasa. Tafadzwa naJay vakapinda
Jay paakaona zvose izvi akafara
zvakanyanya
"Zvese izvi zvaitirwa ini here?" Jay
akabvunza

"Yes muzukuru iwewe uri Prince


yepano" mai Munyaradzi vakadaro

Jay akanyemwerera achihaga mbuya


vake
"Ndinotenda zvakanyanya mbuya"
Jay akadaro achitihaga tose

"Ndinotenda mainini Ane"


Ndakanyemwerera ndichimukisa
padama. "You're welcome my boy
and you deserve more"

Akanyemwerera Jay
"Mandlovu ndokumbira kutaura
newe" Taffy akadaro

Vanhu vose vakanditarisa vachiseka.


Ndakatevera murume wangu
tichienda muroom medu

"Usandiudza kuti kubva zvandaenda


wanga wakangomira"

"Hezvo Taffy zvine basa here?"

"Unofanirwa kuzorora baby haunga


sweri wakamira zuva rose mwana
wangu mudumbu umu anoneta kaa"
"Hayi munhu wese ari kungodaro
handirwari ini ndine pamuviri chete"

"Izvozvo ndokumbira uzorore


zvishoma uchamuka kana party
yatanga"
"But Taffy..........." Handina kupedza
kutaura

"No but"
Zvichakadaro Mpume akapinda

"Yaaah Tafadzwa ari kutaura


chokwadi no but unofanirwa
kuzorora" Mpume akadaro
"Ooooh wasvika" ndakadaro
ndichiseka

Mpume akandipa zvinhu zvandaiva


ndamuti andivigire aiva mafruits
Tafadzwa akabva abuda ndakasara
naMpume
"Ndinotenda"

"Uchaita mai vanoda vana vavo"

"Chokwadi here?"
"Yes unoonekwa"

Zvichakadaro Popo akapinda


achigara pedo neni achinditambisa
dumbu takaseka
"Popo mainini vanoda kuzorora"
Mpume akadaro

"Ndinoda kutamba nemwana ari


mudumbu ini" Popo akadaro
Takaseka. "Ndiani akakuudza kuti
pane mwana apa?" Mpume
akabvunza

"Ndibamunini Tafadzwa" Popo


akadaro

"Tafadzwa anotaura chero chii


pavana handizivi kuti problem yake
ndeyeyi" ndakadaro

"Imagine angataura zvinhu zvakadaro


pamwana here" Mpume akadaro

"Mwana achabuda rinhi ndinoda


kumubata" Popo akadaro
"Don't worry mwanangu munin'ina
wako achabuda" ndakadaro

Popo akabuda achimhanya achiti ari


kunoudza baba vake
"Anokuda Popo" Mpume akadaro

"Zvakanyanyisa"
"Okay chizorora ini ndiri kunogadzira
zvasara zvacho mandibatsira
zvakanyanya guys

"Yaaah iko tamboshanda"

Mpume akabuda ndakasara


ndichidya zvinhu zvangu Tafadzwa
akabva apinda naJay vachiedza
zvinhu zvavo zvavanga vanotenga

"Honai bamunini Tafadzwa


vanditengera foni"

"Woow foni"
"Neniwo ndave kuzopinda patik Tok
neInstagram"

Ndakaseka.
"Ndinoda ufonere varoora vangu"
Tafadzwa akadaro

Ndakadzungudza musoro

"Asi musikana avapo here?"


Tafadzwa akabvunza

Jay akaseka. "Ehe ndinaye


wandinodzidza naye"

Ndakapera nekuseka shuwa vana


vemazuva ano hanzi ndave
nemusikana
"Zvino ndiani zita rake?"
Ndakabvunza ndichiseka

"Aaaaah mainini handinga kuudzii"


Jay akadaro tichiseka
******************

Nguva dzeparty dzakachaya


ndakaona Tafadzwa achipfekedza
Jay naiyewo achichinja achipfeka
mbatya dzinofanana nedzaJay
"Woow guys you're so handsome"
ndakadaro

"Thanks mainini"

"Tinotenda zvakanyanya mhamha


tinokudai" Tafadzwa akadaro
Ndakavhura maziso.

"Shuwa zvee tinokudai mainini" Jay


akadaro
Ndakaseka. "Neniwo ndinokudai"
ndakadaro tichienda kuparty sezvo
zvinhu zvose zvaiva ready

*Nompumelelo*
Ayewa ndakura manje Jay ave ne12
years Popo ava ne6 ndiri kufara
zvakanyanya zuva ranhasi.
Ndakamuona achibudikira
naTafadzwa vaiva vakapfeka mbatya
dzinoenderana ndakaenda kuna Jay
ndichimuhaga

"Woow Zvayi wangu you're so


handsome"
"Thanks mommy"

"Wakura manje Jay unofanirwa


kutarisa hanzvadzi yako"
"Aaaah ini handinga tariswi nemwana
mudiki akadai" Popo akadaro
takaseka

"Ndinotenda Taffy nekumutengera


mbatya andirataidza ne foni"
ndakadaro
"Ichampion yangu saka anofanirwa
kuwana zvose zvaanoda" Taffy
akadaro

Ndakanyemwerera Munya akabva


asvika patiri
"Happy birthday son" Munya akadaro

"Ndinotenda baba" Jay akadaro

Family yose yakaungana sezvo yaiva


yave nguva yekucheka cake. Cake
racho raiva rakakura.. you can see
mwana wangu Ari kufara shame.
Nhasi I wish pasaita chinhu
chinomurwadzisa izuva rake rekuti
afare nhasi. Akazocheka cake
akatidyisa. Vanhu vakafara vakadya
chikafu nezvimwiwa. Ini ndakaenda
mu room ma Munya sezvo ndaiva
ndasiya Foni yangu pa charger.
Ndinoda kusenderwa ma pic a Jay
kune vanga vachimushuta.

Pandaiva ndave kubuda Munya


akabva apinda. Ndakashamisika
achikiya door

"Ndiani murume uya wamanga


muchitsonyana?"

Ohh Jesus
"Munyaradzi munhu uya handimuzivi
uye wandiona handina
kumbomutsonya. Nhasi i zuva
remwana wangu please
ndinokumbira kufara"

"Ohh Saka iwe wave kuita zvaunoda


pamusha pano?"

"Chero tanga tichitsonyana


munyaradzi chinokutsamwisa chii?
nekuti Ini handisi mukadzi wako
tangosanganiswa nevana Saka
handikukwereti chin--" handina
kuzopedza kutaura Munya akandipa
gwati rembama.

Not this time ndakamudzorera


negwati rembama, akachinja kumeso
akaita Shumba chaiyo
"Mpume wave kurova Ini iwe?"

"Unoda ndiite sei Munyaradzi?


Huh!!chii chaunoda kuti ndiite? Nei
uchindishungurudza kudai?"
Ndakadaro ndichichema

I'm tired!! I'm tired na Munyaradzi,


anoita kunge ndiye akachengeta
hupenyu hwangu. Akandibata
zvairwadza achinditsimbirira
pamadziro.

"Hanti tave kuenzana here? Ini newe,


Saka ngatirwe" munyaradzi akadaro
achindibata huro achindidzipa.

"Unondikuvadza munyaradzi!!"
Ndakadaro asi akaramba
achindidzipa.

Ndakaedza kudanidzira asi


havangambondinzwi nekuti radio iri
kuririra pamsoro. Ndakamuruma
maoko achibva andiregedza.
Ndakamhanya ndichinokiinura door
ndichivhura asi pandaida kutiza
akandibata. Ndaka screamer
ndichikumbira rubatsiro
"Munya I'm sorry please unondiuraya"

Haana kumbonditeerera akandibata


musoro achindiroverera pamadziro
kakawanda achibva andirovera pasi
ndichirovera pamsoro pesimbi
nemusoro. Ropa rakatsakatika imba
yose
Ndakamuka nekukurumidza ndichida
kutiza asi ndakanzwa nechinhu
chakandirova musoro, ndakanzwa
dzungu ndikanzwa musoro
uchindiremera kunge ndasengedzwa
chinhu chinorema.

Ndakaedza kuvhura maziso


ndichibva ndaona Popo aiva akamira
pa door maziso akazara misodzi.
Neniwo misodzi yakayerera
pandakafunga vana vangu

"P-o,p-o" ndakadaro ndichipera simba


ndichidonhera pasi

"Mhamha" izwi ra Popo ndaiva ndave


kurinzwira kure
*Narrated*

Zvose izvi zvaiitika popo aiva akamira


akatarisa baba vake vachirova Mai
vake

"Mhamha!!!!!!!" Popo akadaro


achimhanyira Kuna Mai vake
achivabata
"Mhamha!!! Mhamha!!! Mukai
please!!!!" Popo akadaro achiridza
Mhere

Radio payakanyarara family yose


yakakunzwa Popo achichema,
vakamhanya vose vachiuya
kwaari.vakavhunduka zvakanyanya
pavakawana Mpume akarara
pamsoro peropa. Munyaradzi aiva
angomira akazvondora maziso

"Munyaradzi waitei?" Mai vake


vakabvunza.

Tafadzwa akaswedera pana Mpume


achimubata chipfuva
"Ethan budisa vana muno" Tafadzwa
akadaro

"No mhamha vanofanirwa kumuka.


Baba mavaroverei mhamha?" Jay
akadaro

Ethan akavatora achibuda navo


"Munyaradzi do something please"
Anenyasha akadaro

"Hapana zvandingaita Mpume


atisiya" Taffy akadaro
Munhu wese akavhunduka

End of chapter

https://chat.whatsapp.com/B55MCS
1s3u89822uuPyXZX

*From chapter 1 pindai umu ȯǤȯ


ǤȯǤ*

*ANENYASHA*

*Written by:Makalulue*
*Edited by: Ellena*

*Chapter 41 semifinal*

*Anenyasha*
Yoooh I don't believe this nei
Munyaradzi aita zvinhu zvakadai?
saka azofunga kuti auraye hake
Mpume. Ndakatarisa munhu wese
mumba aichema handizivi kuti ndiite
sei I'm traumatized, ndiri kufunga mai
vaMpume chii chichaitika pavari?.
Rugotwe rwavo rwakauraiwa
nemurume hero dangwe ravo
rauraiwa nemurume zve.
"Munyaradzi wanga usingafanirwe
kudaro" bamukuru vakadaro

Ndakaona Tafadzwa achienda kuna


Munyaradzi zvibhakera zvichinaya
pana Munyaradzi
"Unopenga here!!! Munyaradzi
ungaita zvinhu zvakadaro sei pana
Mpume!!!! unoti vana vake vaite
sei?!!!" Taffy akadaro nehasha

Munyaradzi aiva akangoti tuzu haana


kumbopindura. Munhu wose mumba
aichema ini ndaiva busy kufonera
mapurisa, Munyaradzi anofanirwa
kusungwa nezvinhu zvaaita. Hakuna
zvekuti nyaya iyi ichataurwa nafamily
no

Mpume vakamutora vachimuendesa


musitting room vachimuvhara
negumbezi
"Munyaradzi waurairei mwana
wevanhu?" Mamoyo vakabvunza
vachichema

"Obert uri kuona mwana wako kuti


aitei?" bamukuru vakadaro

"Munyaradzi chiiko newe? nei waita


zvinhu zvakadai?" Mai Munya
vakabvunza

"Nekuda kwako iwe Zvayi zvinhu


zvose zviri kuitwa naMunyaradzi
zvinhu zvose zvaanoita zviri right
kwauri. Hona manje chii chaitika
ndinofanirwa kufonera mapurisa
anofira mujeri uyu!!!!!" Tafadzwa
akadaro nehasha
"No need ndamafonera kare"
ndakadaro

Takagara tamirira mapurisa Maidei


akafonera mai vaMpume hameno
kuti chii chichaitika namai vaya.
Hours later mai vaMpume vakasvika
"Ko chiiko chaitika?" mai Mpume
vakabvunza maziso avo achitarisa
nzvimbo yose I'm sure vari kutsvaga
mwana wavo

"Ari kupi Mpume, vari kupi vazukuru


vangu?" mai Mpume vakabvunza
vachitarisa imba yose
Vakaona munhu aiva akarara
akavharwa negumbezi vakaenda
ikoko vachibvunda muviri wese

"Ari kupi mwana wangu?" mai Mpume


vakadaro vakatarisa mai Munya
Mai Munya vakatanga kuchema vaiva
vasisazivi kuti vaite sei. Mai Mpume
vakasvika paiva pakafukidzwa
Mpume ne gumbezi vakavhunduka
zvakanyanya vachitarisa munhu wese
aiva mumba

"Mpu-- me-- lelo" mai Mpume


vakandandama misodzi ichiyerera
kwavari

"Chii chaitika panaMpume?" mai


Mpume vakabvunza vachigara pasi
pedo naMpume vachichema
vachiedza kumumutsa
Asi aenda Mpume haachamuke.
Pavakamubata musori vakaona ropa
vakabva vasimuka vachiti tarisa tose

"Ndinoda kuziva kuti chii chaitika


pamwana wangu" mai Mpume
vakadaro vachitarisa Munya
vachiswedera paari
"Waitei mwana wangu Munyaradzi?"
mai Mpume vakabvunza

Tafadzwa akaenda kwavari


akavaudza nyaya yose. Vakatanga
kuchema vachirova Munyaradzi
nemambama
"Nei!!! nei!!! wasarudza kuuraya
mwana wangu? anga akuitei kusvika
pakumuuraya!!!!?" mai Mpume
vakabvunza

Munyaradzi akaramba akanyarara


aiva akangoti tuzu chete asingazivi
kuti zuva riri kubuda kana kuti riri
kunyura here
"Why!!! why!!Munyaradzi nei mwana
wangu?" mai Mpume vakabvunza
vachichema

Takaedza kuvanyaradza asi vaiva


vasinga nyaradzike vaingoedza
kumutsa Mpume asi haachamuke.
Vakaenda kuna mai Munya
"Nei warega mwana wako achiuraya
mwana wangu? nei usina
kumutsiura?" mai Mpume
vakabvunza

"I'm sorry" mai Munyaradzi vakadaro


Mapurisa akasvika pamwe chete
nemota yezvitunha vakatora Mpume
mapurisa akatora Munyaradzi. Mai
Munya naMamoyo vakaedza kuenda
namai Mpume kumortuary asi mai
Mpume vakaramba

"Ndichaenda ndega nemwana


wangu" mai Mpume vakadaro
vachienda

Vanhu vose vakagara pasi

"Nei Munyaradzi aita zvinhu


zvakadai?" mai Munya vakabvunza
"Manga muchiziva nezvenyaya iyi asi
hapana zvamakaita. Maiziva kuti
Munyaradzi anoshungurudza
maiguru Mpume asi hapana
zvamakaita makangotaura naye
chete. Dai ndanga ndiri ini ndaita
zvose izvi aaah ndanga ndichauraiwa
chaiko, ndikwire manga
muchatoudza mapurisa kuti ndigare
nguva yakadii mujeri. Ini ndairohwa
chero small mistake hayo, auraya
mwana wevanhu farai vana
vaMpume vachasara vave nherera.
Jay haafi akafara zve nhasi izuva
rake anga achifarira kuzvarwa kwake
asi mufaro wake wachinja kuita
misodzi. Popo zvinhu zvaaona
zvichagara zviri mupfungwa dzake"
Tafadzwa akadaro achichema
achibuda achienda muroom make

Ndakamutevera nekukurumidza
akasvika achigara pamubhedha
achichema

"Taffy chirega kuchema" ndakadaro


neniwo ndichichema

"Amuuraya Ane nei amuuraya"


Ndakamuhaga ndichichema

"Mhamha nababa vanga vachiziva


nezvenyaya iyi asi hapana action
yavakatora nekuti zvaiitwa ne mwana
wavo wavonodisisa. Wavaona mai
Mpume kuti vanga varisei kava
kechipiri vachirasikirwa nemwana
wavo nenzira yakafanana"
"Ndinoziva kuti zvinorema but please
be strong for vana vake"

Zvichakadaro Jay naPopo vakapinda


vachimhanya
"Baba mota iyo iri kuenda kupi
namhamha?" Jay akabvunza

"It's fine my boy everything will be


fine" Taffy akadaro
"Mhamha vari kuenda kupi hanty
vachava right vachadzoka kwatiri?"
Popo akabvunza

Ndakapererwa kuti ndoti kudii


ndakatanga kuchema vana ava
vachiri vadiki vachakura vasina mai
vavo. Zvinhu zvose zviri kuitika pano
zvakatanga kundifungidza mai vangu.
Ndakatanga kufunga kuti neniwo
ndakakura ndisina mhamha mai
vangu vanondibereka asi zvangu
zvaiva nani nekuti baba vaivapo asi
ivo vangosara vasina munhu.

Vana vakatanga kuchema vakura


vana ava vari kuona zvinhu zviri
kuitika
"Baba vauraya mai vangu" Jay
akadaro

Tafadzwa akamuhaga. "Chirega


kuchema Jay" Taffy akadaro
achichema

Neniwo ndakaswedera pavari


ndichivahaga handizivi kuti chii
chandinofanirwa kuita kana zvadai

*TAFADZWA*

Ndaiva ndakagara pamubhedha


ndakahaga Jay aingochema handizivi
kuti ndomuita sei
"Chirega kuchema Jay mhamha
pavari havazofari vachikuona
uchichema"

"Nei baba vauraya mhamha? chii


chavanga vanyanya kutadza?" Jay
akabvunza
"Jay chirega kuchema Munya
achawana mubairo wake pazvinhu
zvose zvaaita"

"Asi izvo hazvifi zvakadzosa mhamha


nei musina kuvauraya baba"
Takavhunduka naAne

"Tinokumbira usataura uchidaro


mwanangu ndinokumbira usanyanya
kufunga. Unofanirwa kupedzisa zuva
rako uri right"
"Munyaradzi achauraiwa neni.
Handizorori asina kufa" Jay akadaro

",Please Champion"

Apo kwaingova kutaura neniwo


ndaiva ndisiri right ndaiedza
kumusimbisa ndakamupa mapiritsi
ekuti arare kuti asanyanya kufunga
kuitira kuti musoro wake upore
achema zvakanyanya.
Paakarara ndakamurarisa
pamubhedha ndichibva ndaenda
kuna Ane aiva akagara pasofa
ndichimuhaga. Unoziva ndizvo zvinhu
zvichaita kuti ndisagara pamusha
pano nemukadzi wangu panogara
pane madrama chete. Munhu uyu ane
pamuviri haafanirwi kuita stress
"Zvichadarika babe then todzokera
kuHarare" ndakadaro

"Dai tisina kuuya kuno dai zvose izvi


zvisina kuitika" Ane akadaro
achichema
"Nei uchidaro?"

"Zvinhu zvose zvaitika ndini honzeri


Munya ane anger nerudo rwedu zvino
anga achipedzera anger yake pana
Mpume. I'm responsible for
everything"
"No no no hakuna zvakadaro Ane
ndokumbira usambofunga zvakadaro.
Munya ari kurwara nepfungwa
ispoiled brat kuna mhamha nababa
vakamuregerera ndiko saka akadai.
Ndinokumbira usapamha kutaura
zvinhu zvakadaro please babe
chirega kuchema" ndakadaro
ndichimuhaga

Takaenda kwaiva nemunhu wese


nazvino vaiva vakagara you can see
kuti haavazivi kuti vatangire papi

"Varisei vana?" Mhamha vakabvunza

"Parizvino varara" ndakadaro


"Saka tichaita sei?" Baba vakabvunza

"Tinofanirwa kugadzirira kumuviga


muroora" baba vaMunya vakadaro
"Handifungi kuti anga vigwa pamusha
pano ini. Wavaona mai vake
zvavanga vari havadi chinhu
chinovasanganisa nepamusha pano"
baba vakadaro

"Chii chakaita kuti Munya


musamuendesa kujeri pamakatanga
kuziva kuti aishungurudza Mpume?"
ndakabvunza
Hapana akapindura

"Ndiri kubvunza nei akangoregwa just


like that ini ndaiuraiwa ndosiiwa
ndakadaro zvonzi kusaita munhu
anondibatsira" ndakadaro
"Taffy please" Ane akadaro

"Ndiri kubvunza nekuti dai ndiri ini


ndakatodanirwa mapurisa ne2
seconds. Auraya mwana wevanhu
manje hapana ambofunga kufonera
vanhu vari responsible ifamily
yepamusha pano munhu wese
akanyarara paakanzwa kuti Munya ari
kushingurudza Mpume ari
responsible. Makarega Munya achiita
madiro pamwana wevanhu"
ndakadaro

"Takataura naye Munyaradzi" baba


Munya vakadaro
"Kutaura naMunyaradzi kwakamuita
kuti achinje hunhu hwake here?
Come on Zvayi problem yenyu
mumofunga kuti Munya zvinhu zvose
zvaanoita zviri right" ndakadaro

"Ndinoziva kuti taiva tisingafanirwi


kumusiya asi wave kuti dherera
Tafadzwa" mhamha vakadaro
Tichiri kutaura Popo akabudikira
achichema Ane akamhanya achienda
kwaari

"Chii my baby?" Ane akabvunza


"Ndinoda kuenda ini" Popo akadaro

"Kupi muzukuru wangu?" Mhamha


vakabvunza

"Ndinoda kuenda kwambuya vangu


mai Mpume ini handichadi kugara
pamusha pano" Popo akadaro
achichema

"Look mwanangu" ndakadaro

"Handidi kugara pamusha pano


ndinoda kuenda handidzoki zve
pamusha pano mauraya mai vangu"
Popo akadaro

Ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso


kwangu ndakagwadama mberi kwake

"Nhanha look............" Handina


kupedza kutaura
"Ndinoda kuenda kwambuya vangu
bamunini Taffy" Popo akadaro

"Fine ndichakuendesa mangwana"


ndakadaro
"Ayewa ndinoda kuenda manje" Popo
akadaro

Zvichakadaro Jay akabudikira


akabata bag rake ndakamhanya
ndichienda kwaari
"Champion" ndakadaro

"Ndiri kuenda kwambuya" Jay


akadaro
"Hamungaendi just like that
ndokumbira munditeerere ndinokudai
ndichaku chengetedzai ndichaenda
nemwi kuHarare ndinokumbira
musaenda please" ndakadaro

"Ndinoda kuenda handidi kudzoka


zve pamusha pano. Nei makauya
kuzotitora namhamha nekuti taiva
takazvigarira zvedu zvakanaka
hapana munhu aitishungurudza taiva
tisngavadi baba pedo nesu" Jay
akadaro

"I'm sorry Champion but......." Handina


kupedza kutaura

"Ndinokumbira mufonere mbuya


vauye kuzotitora" Jay akadaro
Ndakatarisa Ane akabvuma
nemusoro

"Husiku manje ndichakuendesai


mangwana" ndakadaro
"Tinoda kuenda manje" Jay akadaro

"Ane ndokumbira urongedze mbatya


dzaPopo" ndakadaro
Ane akaenda kunodzirongedza ini
ndakagara pasofa misodzi yaiva
yakazara mumaziso angu.
Ndakatarisa Jay aiva asingadi chero
kunditarisa. Ane akauya nembatya
dzaPopo sezvo tiri kuvaendesa
kumba kwamai vake asi moyo wangu
uri kurwadza zvakanyanya but
hapana zvandingaite nekuti vatii
havachadi zvekugara pano
Ethan nana baba takaenda kumba
kwa mai Mpume, vana baba vaida
kunotaura nezvekuvigwa kwaMpume.
After some hours tasvika vana
vakamhanyira kuna mbuya vavo
moyo wangu wakanyura mumafuta
chaimo vakakumbira umwe
musikana kutu atore vana vachibva
vasimuka vachiuya kwatiri

"Muri kudei pano?" mai Mpume


vakabvunza
"Tinokumbira ruregerero nezvinhu
zvaitika" baba vakadaro

"Ndakunzwai chiendai" mai Mpume


vakadaro
"Tiri kunzwisisa marwadzo enyu
nesuwo tiri kurwadziwa Mpume anga
achifanana nemwana wedu" baba
vakadaro

"Ndinokumbira mundibatsire
nechinhu one, budai pamusha pangu
musadzoka ndichamuviga ndega
mwana wangu. Uye handidi kana
umwe zvake wekwaZvayi parufu
rwemwana wangu kana
muchimuremekedza zveshuwa
Mpume musauya pano" Mai Mpume
vakadaro

"Mhamha ndino.........." Handina


kupedza kutaura
"Ndinofunga kuti tapedza hapana
chinhu chichandisanganisa
nevekwaZvayi" mai Mpume vakadaro

Vanhu vakabuda ini ndakaswedera


pavana ndichivahaga
"Musare mushe musakanganwa kuti
bamunini Taffy vanokudai
zvakanyanya" ndakadaro tichihagana
ndichibva ndaenda

Yoooh hupenyu hwakaoma Mpume


aenda zveshuwa ndinoziva kuti
mbuya vavo vanofanirwa kugara navo
sezvo pasisina umwe munhu kunze
kwavo asi Inu chishuviro changu
ndanga ndichida kugara navo.
Patakasvika kumba ndakaenda
muroom mangu ndakawana Ane
atondiisira mvura yekugeza.
Ndakageza ndapedza ndakakwira
pabed

"Mafamba sei?"
"Tafamba mushe asi mai Mpume
varamba kuti tiuye kurufu
rwaMpume"

"Yaaah ndinovanzwisisa nei


vasingadi"

"Neniwo ndinonzwisisa asi vana


vanotida Ane"

"Yes chero zvakadaro tinofanirwa


kuremekedza chikumbiro chavo"

"Yaaah zvakaoma zvinorwadza


zvaitika"
"Neniwo handisi kubeliever kuti
zvaitika zveshuwa"

"Zvinhu zvaonekwa na Popo, I think


anofanirwa kuwana counseling
zvinhu zvaaona zvihombe"
"Yaaah anofanirwa kuwana
counseling"

"Yoooh Munya ane hutsinye azosvika


pakuuraya Mpume unoziva ndiri
kunzwa kunge ndiri kurota"
"Zvaitika Taffy hapana zvatingaita
tinofanirwa kugamuchira tichengete
vana vaMpume"

"Havadi chinhu chinobatanidza


mutupo wekwaZvayi"
"Vachiri confused moyo wavo uchiri
kurwadza vachava right vape nguva.
Unoziva rimwe zuva Mpume
akandikumbira kuti ndisare
ndichimutarisira vana vake asi
handina kuzvitora serious I thought
aitamba"

"Ndinoda kuzorora manje" ndakadaro


ndichiedza kurara asi hope
dzakaramba kuuya
Moyo wangu waiva kuvana
ndaingofunga kuti varisei kwavari vari
kunzwa sei nezvaitika chii chiri
kuitika kwavari.

*Mai Mpume*
Ko ini ndakatadzei panyika ino? nei
vana vangu vachienda nenzira
yakafanana? nei vachindisiya nenzira
yakada?. Chero ndichinzi ndakatadzei
asi izvi handizvi deserve, first it was
Bridget manje ndiMpume. Shuwa
mhosva yangu ndeyeiko panyika ino?
kuti handina kumbova mai
vechokwadi here pavana vangu?
Misodzi yakatanga kuyerera
pandakarangarira kuti handisisina
mwana manje vana vangu vose
vandisiya. Vanhu vandangosarirwa
navo vana vaMpume

"Sisi chiregai kuchema" Netsai


akadaro munin'ina wamai Mpume
"Nei zvose izvi zvichiitika pavana
vangu, ko ini ndakatadzei nhai
Netsai?" ndakadaro ndichichema

"Ndinoziva kuti zvinorema sisi asi


satan uyu hanty ari kujeri"
"Asi izvo hazvinga dzose mwana
wangu aenda Mpume haachadzoki"

"Handifungi kuti Mpume anga fara


kukuona wakadai pamwe chete
nevana vake vanoda iwe pari zvino"
Ndakavhunduka. Ndanga
ndatokanganwa nezvavo,vakativigira
breakfast asi hapana chinhu
chingapinda mumuromo mangu

"Sisi munofanirwa kudya"

"Handidi chikafu ini"


"Idyai sisi muwane simba"

"Ndichadya later"
Zvichadari Jay akapinda achiuya
achigara pedo neni

"Mbuya idyai nezuro hamuna kudya


maipisa tsitsi" Jay akadaro
Ndakanyemwerera ndichimutarisa
nemaziso aiva akazara misodzi.
Akatora chikafu changu achitanga
kundidyisa

"Ndinotenda muzukuru wangu"

"Mbuya ndokumbira kuti bamunini


Taffy namainini Ane vauye kunhamo
kwamhamha"

"Handivadi vanhu vekwaZvayi pano


Jay"

"Neniwo handivadi asi ivo havafanani


nevanhu vekwaZvayi vari sweet"
"Sisi musamurambidza mwana
please" Netsai akadaro

"Okay no problem kana wadaro"


ndakadaro
Jay akanyemwerera. "Ndinotenda
zvakanyanya mbuya" Jay akadaro
achindihaga ndichibva ndamukisa
pahuma

"Wadya here naPopo?" Ndakabvunza


"Tadya mbuya"

*TAFADZWA*

*2 weeks later*
Nhasi kuri kuvigwa Mpume saka ini
naAne tiri kuenda sezvo Jay anga
achida kuti tiveko anga
achingondifonera achindifungidza
kuti tinofanirwa kuuya

"Mufambe zvakanaka" mhamha


vakadaro nemisodzi
"Ndanga ndichida kuenda asi
ndinoziva kuti ndakenda pachaita
noise" mhamha vakadaro

"Its fine mhamha tichange tiripo


tichakuudzai zvose mhamha" Ane
akadaro
"Zvakaoma mufambe zvakanaka
vanangu" mhamha vakadaro

Takabvuma tichienda kumota


"Uchava right here?" Ndakabvunza

"Yes babe don't worry I will be fine"

Ndakamutsa mota tichienda


takasvika Jay angori achifona
achibvunza kuti tave kupi.
Pavakationa vakatimhanyira
vachitihaga

"Bamunini" Jay akadaro

"Urisei mwanangu" ndakadaro


"Tiri right" Jay akadaro

Popo akauya achindihaga


"Zvinhu zviri kufamba sei pano?"
ndakabvunza

"Zvakanaka tiri kufara kuti mauya"


Popo akadaro tichivahaga zve
Nguva dzakafamba vakagadzirira
kunoviga Mpume moyo wangu
wakarwadza pandakaona coffin
raMpume richibuda panze. Takaenda
kunoviga Mpume ini ndaiva busy
kunyararidza Jay, Ane ainyararidza
Popo nekuti vairidza mhere

Zvinhu zviri kuitika apa zvinorwadza


nambuya vavo vari kuchema I can
imagine marwadzo avari kunzwa
parizvino. nevana ukowo
varikuchema. Izvo ndizvo zvino
ndinondirwadza zvakanyanya

"Champion chirega kuchema"

"Mhamha handichavaoni futi" Jay


akadaro achichema
Ndakamubata ndichimuhaga sezvo
airidza mhere achiona coffin ramai
vake richipinda mugomba. Ukowo
Popo naiyevo aichema vana ava
vachiri vadiki kuona zvinhu zvakadi.
Takaramba tichivanyaradza Mpume
akavigwa tichibva tadzokera
kumashure kumba kwana Mpume
"Ndinokumbira mupinde muimba iyo"
Netsai akadaro

"Tinotenda mainini asi hatichagari


tinofanirwa kudzokera kumashure
nekuti ini ndinofanirwa kuenda
kubasa" ndakadaro
Hapana chinhu chandinovenga
sekudya kunhamo saka vakazotipa
juice ndakanyara kuramba. Tapedza
kumwa takaoneka vanhu

"Musare mushe ndokumbira


musarega kundifonera kana pane
zvamunoda" ndakadaro
"Okay bamunini" Jay akadaro
tichivahaga

"Mufambe mushe" Popo akadaro


Ndakavahaga Ane naiyevo
akavahaga tichibva taenda kumota.
Nguva yose iyi ndaiva ndakabata
misodzi yangu kuti isabuda,
pandakangopinda mumota misodzi
yakatanga kuyerera Ane
akandinyaradza

"Ndinoda kugara navo handisinunguki


kana vachigara kure neni ini ndiripo"
"Vachagara newe ndinokuvimbisa
ndokumbira uvape nguva" Ane
akadaro achindihaga

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/B55MCS
1s3u89822uuPyXZX

*From chapter 1 pindai umu ȯǤȯ


ǤȯǤ*

*ANENYASHA*
*Written by Makalulue*

*Edited by Ellena*
*Chapter 42* (FINAL)

*Anenyasha*

Tiri kudzokera Kumba manje. nzira


yose iyi Taffy haasi right, you can see
zvaari he's mess. Ndakamutarisa
ndichimupurudzira musana

"My love don't worry everything will


be fine"

"Chii chichaitika pavari Ane?"


"Vachava right I promise"

"Popo anoda counseling as soon as


possible"
"Zvichadarika babe"

Takasvika kumba apo mhamha vaiva


vakatimirira. Mota payakangomira
vakauya kwatiri. Tafadzwa akapinda
mumba
"Mafamba sei?" mai Taffy
vakabvunza

"Tafamba mushe" ndakadaro

"Vana varisei?"
"Ndizvozvo hazvo vafara vachitiona"

"Ndinoshuvira kuti dai neniwo


ndaenda asi situation yaramba"
"Don't worry mhamha zvinhu zvose
zvichava right Popo and Jay vachava
right uye vachauya pamusha pano"

"Ngativimbe kudaro mwanangu"


"Ehe mhamha" ndakadaro ndichienda
muroom medu ndakawana Taffy
akarara pamubhedha akatarisa
mudenga. Zvinhu zvose izvi
zvamurwadza handidi kunyepa.

"Mangwana tiri kuenda ndokumbira


ugadzire zvinhu zvako"
"Okay"

"Ndakaneta ndinoda kurara"

"Okay unofanirwa kuzorora"


ndakadaro ndichirongedza mbatya
dzedu dzatichaenda nadzo.

Ndakaenda kukitchen ndakawana


Maidei achibika

"Hey" ndakadaro
"Hoo mauya mamuviga sei Mpume?"

"Zvakanaka" ndakadaro,

ndakaona misodzi paari ko handiti


vanga vachiwirira vanhu ava shame

"Yaaa zvinhu zvose zvichava right"

"Asi nei zvinhu zvose izvi zvaitika


pamusha pano Ane?"
"Kuda kwaMwari hakupikiswe"

"Yaaah uri kutaura chokwadi"


Ndakamubatsira kugadzira chikafu
chemanheru

¥ ¥ ¥ ¥ ¥ ¥ ¥

Mangwana takamuka tichigadzirira


kuenda Tafadzwa aiva ati tinoenda
makuseni uye anga achirevesa.
Tapedza takaoneka tichibva taenda
kuHarare

Hours later taiva tatosvika.


Ndinofanirwa kucleaner nekuti maiva
makasviba sezvo taiva tane nguva
taenda.
"Tinofanirwa kutsvaga munhu acha
cleaner"

"Ndiripo ini hanty"

"Aiwa iwewe unofanirwa kuzorora


haunga kwanisi kucleaner"
"Ndine pamuviri Tafadzwa handisi
kurwara"

"Handinga kubvumiri"
"Taffy..........."handina kupedza
kutaura

"Ndatomufonera already"
Ndakadzungudza musoro haaa
vanhu vanondiita kunge ndinorwara

*Narrated*

*Five months later*


Paida aiva asinganzwi mushe
akazofunga kuenda kuchipatara
nemurume wake. Paakasvika kuna
doctor vakaudzwa good news
vakafara zvakanyanya

"Shuuu I don't believe kuti ndave


kuzoita vabereki" Ethan akadaro
"Neniwo murume wangu"

"I wish dai atobuda already"


Paida akaseka. "Aaaa nhumbu ichiri
diki wani"

"Yaaah ndotenda zvakanyanya mai


Mushavi wangu"

"Ndini ndinotenda murume wangu


kunze kwako dai zvinhu zvose
zvisipo" Paida akadaro vachihagana
nemufaro

*ANENYASHA*

Nhumbu iyi inondishungurudza


ndaiva ndisingazivi kuti nhumbu
ichandishungurudza kudai iwo
mwedzi wekuti ndizvare wave pedo

Nhasi mugovera ndakagara


naTafadzwa asi handisi kunzwa
mushe pamwe ndiro zuva racho
"Chi babe asi pane zvauri kunzwa?"

"Ndiri kunzwa marwadzo asi not too


much"

"I think tofanirwa kuenda kuchipatara


manje"
"I think zvinhu zvichapfuu......."
Handina kupedza kutaura

Marwadzo akandikurira ndakaridza


mhere ndichichema aiwa marwadzo
aya handinga kwanisi kushingirira
"Tafadza ouch"

Tafadzwa akandibatsira kupinda


mumota ndaiva ndisingakwanisi
chero kufamba handizivi kuti
takasvika sei kuchipatara nekuti
ndaguma ndichipinda mumota chete.
Ndakavhura maziso angu
ndichitarisa paside ndakaona
Tafadzwa achinditarisa nehuso
hwaiva wakazara mufaro

"Uyu mwana wedu mommy"


Ndakanyemwerera. "Daddy"
ndakadaro nemufaro

I don't believe kuti ndave mubereki


manje ndakatora mwana wangu
ndichimutarisa ndichinyemwerera
"Ndini ndatanga kumuona kudarika
iwe"

Ndakaseka. "Zvanga zvisingafanirwi


kuitika"

"Nekuda kwei mwana wangu kauyu"


Taffy akadaro achiswedera patiri
naiyewo achibata mwana

"Tawedzerwa Emmanuel Zvayi ndiro


zita rake"

"Woow ko waitaura chokwadi paya


pawaiti mai Tawedzerwa?"
Taffy akaseka achindihaga.

Mufaro watinawo hautsananguriki


ndirinhi shuwa takamirira mukoma
wedu. Popo achafara achiona
munin'ina wake"
"Zvikoro zvinofarwa rinhi
vatishanyire?"

"Tinofanirwa kuenda kumba mwana


wedu anoziviswa kuvadzimu"
"Okay babe"

"Ndinotenda zvakanyanya my love


wandiita murume pavarume" Taffy
akadaro achindikisa pahuma achikisa
mukomana wedu achibva achema
"Zvayi" ndakadaro
ndichimunyararidza

*2 years later*

Hapana chinondifadza sekuona


Manu wangu achikura now ava
nemakore maviri. Ndavemuberki
zveshuwa, pamakore maviri aya
adarika zvinhu zvanga zvichifamba
zvakanaka naTaffy. Tafadzwa
akazotenga private hospital yake.
hupenyu hwedu huri kuendeka
kudarika pekutanga.

Portia naJay vanotishanyira kana


zvikoro zvakavharwa. Yes kwavari
zvichiri kurema vachiri kufunga mai
vavo asi varikuedza zvakanyanya
kuzvipfuudza.
"Unoziva handisi kuda kuti tiende
kumba" Taffy akadaro

"Nei uchidaro?"
"Handiidi nzvimbo iya kana tiri ikoko
panongoitika madrama"

"Ndinoziva baba Manu asi kumba


kwenyu uku ndiko kwawakazvarirwa
vabereki vako vanogara ikoko pamwe
chete nemudzimu yako iri pamusha
paya saka haunga gari usingaendi
ikoko"
"Ndinoziva asi drama racho handiridi
rinondibhowa"

Ndakaseka. "Ayy saka unofanirwa


kuenjoya nekuti idrama rekumba
kwenyu"
"Unofanirwa kusiya vana kumba
kwamai vavo nekuti havangabvumi
kuenda kwaZvayi"

"Asi unofanirwa kutanga wataura


navo, kumba kwavo uko vanofanirwa
kuedza kuendako"
"Unoziva ndinogara ndichitaura navo
asi havabvumi"

"Eyi nyaya yacho hainzwisisiki"


Taffy akandibata dumbu. "Varisei
vana vangu?"

Ndakanyemwerera. "Vana vari right


vari kunetsa mhamha"
Oooh ko handiti ndine pamuviri here.
Ndaiva ndisiri ready kuti ndiite
pamuviri Manu achiri mudiki, asi
Taffy haadi ndiite ndiite prevent. I
tried asi paakazviwana yakaita hondo
chaiyo saka ndakaona kuti handinga
putsi imba yangu nekuda kwezvinhu
zvidiki kudai ndakabva ndasiya. Apa
I'm pregnant my first born ane 2
years imagine. Zvichakadaro Popo
naManu vakabudikira vachitamba
"Daddy" Popo akadaro

"Yes my baby"

"Tiri kuenda mangwana handiti?"


"Yes tiri kuenda asi wave kufunga
kumba?"

"Yes ndave kufunga mbuya vangu ini,


I'm sure naivowo vari kundifunga
sezvo tisipo kudai hapana
wavanotuma"
"Ooooh zvakanaka mbuya
ndichavawanira munhu anovabatsira
sezvo imi muri Kuno"

Popo akabvuma Jay akabudikira


"Ndinoda kutaura nemwi" Taffy
akadaro

"Nezvei baba?" Jay akabvunza

"Ndinokumbira tiende kwaZvayi"


"Munoziva kuti hatidi kuendako"

"Ndinoziva vana vangu asi


munofanirwa kuenda ko"
"Ini daddy handiendi kwaZvayi" Popo
akadaro

"Neniwo handiendiko" Jay akadaro


vachitendeuka vachienda ndakatarisa
Tafadzwa
"Iiiiii vane musoro wakaoma vana
ava" Taffy akadaro

"Asi vachanzwisisa havo nekufamba


kwenguva"
¥ ¥ ¥ ¥ ¥ ¥ ¥

Mangwana makuseni takaenda


kumusha ndaingofunga nezvaMunya
sezvo ndaiva ndisingazivi kuti ari kupi
ndakaguma ndichinzwa kuti akatiza
mujeri.
Takasvika kumba vanhu vakafara
vachitiona mwana waPaida
akandimhanyira achindihaga mai
Taffy vakauya kwatiri

"Muri right vana vangu" mai Taffy


vakadaro
"Ehe tiri right"

Mai Tafadzwa vakatora Manu

"Muzukuru wambuya"
"Mbuya" Manu akadaro

Isu takapinda muroom medu


naTafadzwa sezvo taiva tichifanirwa
kugadzira mukati. Asi hamuna hamo
kusviba kungoisa mbatya dzedu
muwardrope I think vacleaner
pavanzwa kuti tiri kuuya.
"Yoooh ndakaguma kare room yangu"
Taffy akadaro

"Yaaah iko tave nenguva"


"Nzvimbo ino handichaifariri ini"

"Hmmmm" ndakadaro ndichitanga


kurongedza mbatya dzedu.

*Narrated*
15 years later

*Jayden & Portia*

Kubva zvakashaya mai vavo Jayden


na Popo Havana kuzova right Jayden
akatanga kurarama hupenyu hwehu
geven'a chinangwa chake chiri
chekuda kuuraya baba vake. Popo
vakazomuendesa ku counseling
akava nani haadi kuona chinhu
chinonzi murume pedo naye. Varipo
vanozama lucky pana Portia asi
anovaudza magaramoyo chaiwo. Jay
na Popo vakazokurira ku Harare kuna
Taffy na Anenyasha vakakura vachiti
ndivo vabereki vavo. Jayden
akazotenga imba ave kugara ega
nemushandi wake waakanhonga
munzira asina pekugara mushure
mekunge atiza kwaakakura
achishungurudzwa nevanhu
vakamukurisa mushure arasikirana
na sisi vake.Jay anomushungurudza
musikana uyu dzimwe nguva
anobatsirwa na Popo kana aripo
ndiye anotsiura Jay. She's tired now
chinangwa chake chave pakuda
kutsvaga sisi vake chero asingazivi
kuti achatangira papi

*Munyaradzi*

Munyaradzi akazopihwa mutongo


wake wemakore gumi nemashanu
ekuuraya nekushungurudza Mpume
asi after two years akatiza mujeri
nechinangwa chekuda kuuraya
Tafadzwa nekuti ndivo vakaita
honzeri yekufa Kwa mpume ndivo
vakaita honze yekuti vana vake
vamuvenge now ari mujeri ndivo
honzeri. Akananga straight kumba
kwavo nekuti aiva ave kuziva kuti vari
kumuzinda zveshuwa akavawana
vakarara akavapfura vakamukira
kuchipatara. Munyaradzi
akazowedzera mamwe makore
mashanu now asarirwa nemakore
mashanu uye anoratidza kuti achinja
anozvishora pane zvinhu zvose
zvaakaita. Nyaya inomudya siku
nesikati inyaya yevana vake vasingadi
kuona chero paafamba asi gore
raachabuda he's ready kuita chero
chii chichaita kuti vana vake
vamuregerere uye vaone kuti achinja

*At Palace*
Mambo Zvayi zviito zva Munyaradzi
ndizvo zvakazovabisa pachigaro
nekuti mumhu wese ari kuti
Munyaradzi akaregererwa. Shingi
akazodzoserwa pachigaro chake
Zvayi akazo confess kuti zvakaitika
pakati pa Shingi na Mai Munyaradzi
ndivo vakaisira Shingi drugs.shingi
Pekutanga zvairwadza ASI
paakafunga nezva Tafadzwa
akazoregerera munin'ina wake. Now
vari kushandidzana pamwe chete .
Tafadzwa chigaro akachiramba iye
anoda kunogara ku Harare ne mhuri
yake
*Tafadzwa & Anenyasha*

Hupenyu huri kuendeka pavaviri ava


kubva zvavakapfurwa na Munyaradzi
kumusha vave kuenda apo neapo.
Vakazokomborerwa nema twins
mukomana nekusikana Timukudzei
na Tifadzei. Rimwe zuva akafonerwa
na Mai mpume vachimuudza kuti
Mpume Ari kumunetsa kuti amupe
vana Saka vakazosainirana ma paper
kuti vana vava vake. Tafadzwa
akazotsvagira Mai Mpume mushandi.
Hupenyu huri kuendeka pavaviri ava
Anenyasha akazotora Chiedza
mwana wa Ngoni ari kugara naye ku
Harare.

*Thank you so much kune


vakaverenga book your support
means a lot to me*
The end

You might also like