Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 1406

HATRED THEN LOVE

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 1*

*#HILDA#*
"Hey Hilda muka ugeze tiende
kuchurch,Elena apedza tamira ndiwe"
vakadaro mai vangu
vachindimutsa.Ndakabhoekana
kundimutsa ndichirota hope
dzonakidza.Ndaitorota ndiri kunze
kwenyika ndine umwe mkomana
akanaka.Elena kacho kanga katopedza
zveshuwa kanga kakamira paside
namhamha.Ndairara ndega iko
kaikaramba kurara neni hanzi
magumbezi asis anonhuwa saka
kairara namhamha.
"Mhamha nhasi ndikurwara endai
naElena" ndakadaro ndaisada kuenda
kuchurch.Kunondibhowa apa
ichinonoka kupera futi.Ndoshaya kuti
kuchurch kwomanikidzwa munhu
kuenda here.

"Kurwara kupiko kusada kuenda


kuchurch uku muka unogeza
ndatokudziisira mvura" said moms
vachisunga bhutsu dzaElena.

"Asi mhamha chiii nemi ndikurwara


andisi kuda kuenda ini"

"Hilda ndinokurova wanzwa pano


munhu wese anotoenda kuchurch
ndomutemo wepano muka ndisati
ndakurova" ndakamuka
nekukurumidza nekuti mhamha havana
chamangwana ndaigona
kuzorohwa.Ndakanogeza
ndakambogeza zvisvinu here
ndakangorasira mvura pamuviri
inodziya isu tajaira kugeza
neinhotonhora kurwizi.Ndakangorasira
mvura pamuviri chete ndanga
ndakatogumbuka shuwa munhu
angandimanikidza kuenda kuchurch.

Ndakaona hembe dzatoiswa pakabed


kangu kesimbi namhamha.Ndakachinja
kudya ndakarambidzwa hanzi munhu
wese ari pamutsanyo.Takaenda
kuchurch mama naElena ndivo
vaingotaura ndakanyarara.

"Mhamha honai sis Hilda vakatsamwa


hazvidiwe naMwari kutsamwira
mubereki wako" kakadaro Elena
kedzungu.

"Ndinokukwatura nyarara apo uri


mkadzi waMwari here zvaunoti
hazvidiwe naMwari" ndaitoda
kupedzera hasha pakari.

"Hilda kana uri pamutsanyo usaita


hasha dzidza kutaura nevamwe
zvakanaka aita sei Elena inga ataura
zvakanaka wani" vakadaro
moms.Handina kupindura takasvika
ndikagara paside namai vangu ndivo
vaiva pakati pedu naElena.

Church yakatanga apa maibhowa sei


nenzara yanga yandirima handina
kujaira kutsanya.Muchurch munotadza
kubhowa sei ivo Pastor vacho vaigona
kupedza 3 kana 4hrs
vachiparidza.Moms vangu she is a
prayer warrior zvekutsanya
vaigona.Vakatomboita 5 days vasina
chavadya vari kugomo naPastor
nemkadzi wavo.
Kubva pavakarambana nadad
vakatanga kukura pamweya vakufarira
zvekunamata dzimwe nguva
vairoteswa zvaitoitika.

Pakarambana vabereki vangu ndanga


ndine 8yrs, Elena anga ane 3yrs.Mai
vangu vakanyeperwa kuti vakarara
neumwe murume wataipinda naye
church.Takadzingwa sembwa nadad
vakatiramba vachiti hamusi vana
vangu.I was young but ndikazvifunga
ndorwadziwa.

Takurarama tichigara kumusha


kwamhamha pamusha paimbogara
vabereki vavo vasati vafa.Kutown
kwataimbogara mudhara ndivo
vaishanda vari bank Manager.Mhamha
kumusha vaishanda samaid kumba
kwaSekuru naGogo Maviza uko
kwandaishandavo ndichifudza mombe
dzavo.Gogo Maviza vakandipa basa
rekungogeza hembe ndichibatsirana
namoms asi ndakaramba ndakati
ndoda kufudza mombe.Mama
vakamboedza kundirambidza asi
ndakaomesa musoro ndaingoda
kufudza mombe ndaifarira mombe
kubvira ndichikura.Ndikaita mari
ndakura ndoda kuzotengawo dzangu
ndakawandisa.
Gogo naSekuru Maviza vane moyo
wakanaka vaitibata zvakanaka pamba
pavo pataishanda.I still remember
patakauya kugara kumusha ndivo
vaitibatsira nehembe dzekupfeka.Most
of the time ndinenge ndiri kumombe,
pandotambira mari ndaipa mhamha
yese kuti vatenge zvakashota pamba
nekubhadhara school fees yaElena
anga ari form 1.Ini ndakapedza O level
last year ndikatoita highest pachikoro
pandaidzidza.Asi mari yekuti ndiende
mberi ndiyo yakaita shoma ndaiona
mhamha vairemerwa ndosaka
ndakafunga kufudza mombe
ndivabatsirewo pamari apa.
Church yakapera ndisisagone nenzara,
ndakamhanya kumba ndikasvikobika
tea ndikadya nechingwa
chekoroni.Mhamha naElena
vakazosvika ndatopedza kudya apa
ndanga ndapedza chingwa chese.

"Nhai Hilda asi une demon rekudya


here zvawapedza chingwa chese
vamwe todyei" said moms.

"Aaaah sorry mhamha ndanga ndane


nzara ini tumai Elena abike sadza"
"Handidi ndini ndapedza chingwa here
bika wega Hilda" said Elena.

"Ndokurova wanzwa unofunga kuti


kubuda tumazamo wakura
ndokukwapaidza"ndakadaro Elena
anga akundijairira nhai kutoita kunga
ndiye mukuru.Kutokanganwa kuti ndiri
sis vake.Ndakapihwa mbama
namhamha ndakaona vanga
vagumbuka.

"Hilda unondishungurudzirei imhosva


here kukuchengetai kwandoita, baba
venyu vakakurambai vari kudya mari
nemahure avo vanokusenderai mari
here, enda unobika izvozvi ndisati
ndakupamha futi"

Ndakanovabikira chikafu
ndikavapa.Ndakaenda kuchibhorani
kunochera mvura.Chibhorani ichi
ndaingonzwa kuti chakaiswa
nemuzukuru wagogo Maviza
ndaisamuziva hangu.Ndaingonzwa
zvichinzi airwirwa nevasikana and
aizvida.Ndakasangana naPetso
wandaifudza naye mombe dzaSkuru
Maviza.

"Wagwan boss lady" akadaro Petso


tikapanana sando.
"Low low ukuita sei Petsoman"

"Apana shaa base redu rakuzikanwa


nana Tafadzwa toita sei" said Petso.

"Mira ndopedzerana naye Tafadzwa


havandinetsi ava ishumba dzisina
mazino"ndakadaro.Base redu ranga
riri kure chaiko ndaishaya kuti vana
Tafi vakakuziva sei kwanga kune
mafuro akawandisa netumichero.

Takapesana ndikaenda kumba,


ndakamukira kuenda kunovhurira
mombe ndikasvika Petso
atovapo.Takaenda kubase kwedu
tikasvika zvakanaka takaonawo
mombe dzana Tafi dziri kumashure
kwedu.Takanomira pane rimwe dombo
ndanga ndakamirira Tafadzwa wacho
anozviti haabviri ndoda kumubvisa
chiri kumeso.

"Tafi uri kutsvagei kuno ,handidi


munhu kuno" ndakadaro.

"Futseki kushata ndiwe ani


unondiudza kwekufudzira mombe haisi
nzvimbo yamai vako nxaaa" akadaro
Tafi kekuonda.Kuonda kunga
kakamedza waya.Ndakamupa mbama,
fight yakabva yatanga ndakamuitira
zvidobi dobi ndakamuchovha kusvika
Petso abata.

Tafi nevamwe vake vakatora mombe


dzavo vakaenda kumwe ndaisada
zvekujairirwa mapenzi ndoranga.Chero
vakanditi ndakashata handirwadziwi
ndoziva kuti ndakanaka.Ndichienda
kumombe ndaipfeka mamwe mashort
echikomana anga akakurisa ndiwo
andainzwa kuda nemakuhembe acho
akakurisa futi.Ini handifariri kupfeka
zvakabata.Mama vaingondisiyawo
ndakadaro ndaisada kuudzirwa
zvekupfeka kana ndichienda
kumombe.Sunday vaindisarudzira
zvekupfeka vaitoziva kuti vakasadaro
ndaienda nemashort kuchurch
kwacho.

Ko kuchurch kunomboda zvekukiya


micheno here.Chongodiwa kuchena
kwehembe yako woenda
wononamata.Ndoona vamwe vanouya
kuchurch kuonekwa kunzi ndakachena
izvo hazvishandi chinodiwa kuzarura
moyo wako kuna Mwari.Vasikana
vemuraini medu ndaisada kutamba
navo vaida zvinhu plus makuhwa
ndosaka ndaitamba hangu naPetso.

Taita majana ekunodzora mombe


naPetso, jana rangu rakasvika
ndakaona mombe dzangu dzaenda
kuna dzana Tafadzwa.Ndakanodzibvisa
ikoko ndakaona umwe mkomana
aifudza naTafi akuuya pandiri anga
akashata zvekuti mukamuona
munofunga kuti ari kuchema iko kuri
kushata.Akashata zvosekesa even
mbavha yakahwanda
inosekawo.Rimwe boys rakabva
rasvikawo rikandikomba vakandibata
kuti ndisatiza.

"Ndakaona kuti hausati wavhurwa


ndosaka une dzungu rakawandisa
nhasi ndoda kuri bvisa" akadaro
mukomana wekushata uya.
Ndakaona akuvhura zipi yepatrouse
pake ukuwo boys ranga ndakandibata
rakundibvisawo zishort rangu.Ameno
simba randakaita ipapo rakabvepi
ndakavakwapaidza vese kusiya varara
pasi.Ndakanoudzawo Petso zvaitika
akatoseka akati Hilda wakaromba
chete kurova vakomana 4 vese.

Takaenda kumba kwatosviba


ndakasvika ndikageza ndikanotaura
nyaya namai vangu.Padoor pakabva
paita knock takaenda tikaona vari mai
vaTafi mamai vakushata vaine vana
vavo vakazvimba kufesi.
"Iwe hure ndiudze ndizvo
zvaunodzidzisa vana vako kuti arove
vana vedu here nhasi
topedzerana"vakadaro mai
Tafi.Ndaisada zvekutukirwa mai vangu
ndiripo ndakahedha mai Tafi
pamuromo vakatanga kubuda ropa.

"Munoti mai vangu hure vakahura


nani, hure ndimi morara naBaba
vaMike kurwizi uko pasi pemuzhanje"
pandakakadaro Mai Tafi vakabva
vasvava.

"Unoda kuzviita ani musikana iwewe


manje tosangana kwasabhuku"
vakadaro mai vemukomana
wekushata.

"Mirai titaurirane asikana munotaura


chamunoda ndokupai nyaya yacho
yopera" vakadaro mhamha vachiedza
kunyengerera.

"Siyai zviende mhamha, mai vakushata


tosangana kwaSabhuku kwacho
chibvai pano ndisati nda...."handina
kumbopedza kutaura ndapihwa mbama
namhamha.Vana mai vaya vakabva
varova pasi asi Mai Tafi vanga vava ziii
hanty ndanga ndavafumura.Mhamha
vakandipopotera zvekuti musi uyu
ndakarara matama achirwadza
nemambama even musana wangu
wandakapihwa mbama iri strong.Elena
ndiye akazobata mama vanga
vagumbuka.Ndakarara ndichichema
kuti sei mhamha vatadza kundibvunza
zvaitika ndavaudza.

Ndakamukira kuenda kumombe musi


uyu Petso haana kuuya.Ndakaenda
ndega kumwe kwaiva kure chaiko
kwakusina vanhu pedyo neroad
inofamba mota inoenda
kumaraini.Ndakaisa ndowe mupaper
reshuga ndichibva ndakwira nayo
mumuti.Ndakambonzwa kuti ukaisa
ndowe mumuti mudenga mombe
hadziendi kure saka ndaida kuona
ichokwadi here.Ndakaona mota
yakanakisa pandoita mari
ndakushanda basa kwaro ndoda
kuitenga chete.

Yakamira mukadzika umwe mkomana


anga akanaka kudai nemota
yake.Mkomana uya akauya pedyo muti
wandanga ndiri achibva aita weti
ndakavhara maziso ndowe iya ikabva
yadonhera mumusoro make.Mkomana
uya akapopota achindituka
nechirungu.
_Drop yo comments pliz kana richiita
comment plizzz_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 2*

https://chat.whatsapp.com/B9Xwsng3L
VsEkNBjrpUqSu
[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 2*
*#HILDA#*

"Ehh mukoma itodzikamai maitsvagei


pasi pemuti, madiii kutanga matarisa
kuti pakamira sei musati maita wet
yenyu" ndakadaro ndaona mkoma ava
vanga vakuenderera.Iyo yekuti
akadonherwa nendove haisi mhosva
yangu.Ndakadzika mumuti ndikaenda
paari anga atobvisa hembe yake
achiipukutisa ndove akasara akapfeka
verse reblack.

"I hate you Village girl uri muroyi


ndakunyara ndingadai ndakurova"
said mkoma vaya.
"Get away chero ndikaita muroyi zvinei
newe"

"Unoshamisira nei unomboziva kamari


kaunotambira kufudza mombe or mari
inotambira vabereki vako haitokwani
kutenga hembe yangu yawaisa ndove
yako nxaaa" akadaro achienda kumota
kwake.Akandisimudzira middle finger
achibva amutsa mota yake.

Ndakasara ndikatora hembe iya


yaanga arasa ndikaenda naye kurwizi
ndikaigeza ikatooma..Ndakaipeta
ndikaiisa mukasetchel kangu
kandaiuya nako kane
chikafu.Kwakasviba ndikaenda kumba
pakunovharira mombe ndakaona mota
yakapakwa pachivanze chaGogo
Maviza yakafanana neyemkomana
uya.Ndakaenda kunomhoresa gogo
nasekuru waiva mutemo wangu pese
pandaibva kumombe ndaivamhoresa
ndoenda kumba.

Ndakatambirwa nagogo zvakanaka


mufaro wakapera pandakaona
mkomana uyu arimo mumba akatogara
pasofa achitaura nyaya nasekuru vake.

"Iwe muroyi ukudei pano huh get away


ndisati ndakutema tema" akadaro
mkomana uya achindinongedza.Izvi
zvakashamisa gogo nasekuru Maviza
ndakaona havana kufara nazvo.

"Wauri kuti muroyi ndiani Leeroy


akutadzirei musikana uyu" said gogo

"Mubvunzei zvaandiita nhasi masikati


mwana uyu ndisatan chete une shuwa
kunditema nendove yemombe" said
Leeroy.

"Hilda muzukuru ichokwadi here


ndiudze nyaya yacho kuti zvatangira
papi" vakadaro gogo ndakavaudza
zvose zvaitika.Ndipo pandakaziva kuti
Lee ndiye muzukuru wavo aitaurwa
nevanhu kuti ndiye akaisa chibhorani
ainzi ane moyo wakanaka.Ane dzungu
manje ini ndinoripedza chihera
handiitirwe dzungu.

"Hilda ndinoona sekuti hapana


chaakanganisa ini Lee ndiwe
wangokurumidza kutsamwa, Leeroy
ita sorry kuna Hilda, ndiye ari kufudza
mombe dzedu naPetso" vakadaro
sekuru Maviza.

"Never handiite sorry ndisirini ndine


mhosva gogo nasekuru ndokudai
handidi kukunyeperai kutaura
chokwadi Hilda ndatomuvenga pasi
nekudenga handifunge kuti
ndichamufarira" said Lee

"Kana neni futi ndatokuvengawo


handife ndakakufarirawo usiye katsika
kekunditi muroyi handizvide hangu"
ndakadaro ndichitobuda mumba
mavo.Ndaisada zvekupesanisa vanhu
ndakaona gogo vakunditeverawo
panze.

"Sorry Hilda nekutuka kwawaitwa


nemuzukuru wangu ndoshaya kuti
hunhu hwakadaro akauhwanepi usatya
ndichataura naye" said gogo.
"Aaah gogo musatya nditori bhoo
handina kutsamwa siyai akadaro iropa
redu rangotadza kupindirana regai
ndimhanye kumba" ndakadaro
ndichitomhanya kuenda kumba.

Ndakasvika mhamha vatova worried


kuti ndiripi vaisada kuti ndinonoke
kudzoka kumba vaindityira kunga
ndichiri mwana mudiki.

"Wanga uchiripi nhai Hilda ndakati chii


nenyaya yekunonoka kudzoka pamba"

"Sorry mhamha ndanga ndiri pagogo


pane zvanga zvichiitika" ndakadaro
ndichitopakura chikafu changu.

"Chiii chaitika chacho don't tell me kuti


waparamura imwe nyaya remember
mangwana tiri kuenda kwaSabhuku
nenyaya yako" said moms vasina
mufaro.Ndakavataurira zvaitika kuna
Lee zvese.

"Asi chiii chimbori pauri idemon rudzii


nhai Hilda"

"Mhamha kwasabhuku toenda apana


nyaya iripo, andina demon ini dai
ndine demon rakabva inga
ndonamatirwa every sunday wani
kuchurch" ndakadaro.

"Ko ukambonyarara unobvei


mwanangu hona uchandivengesa
nevanhu nemabasa ako akashata
ndoda kuti ukumbire mkoma Lee
ruregerero mangwana chaiye handidi
zvinhu zvokanganisa basa rangu" said
moms.

"Aaah mhamha hazviite Lee


ndatomuvenga ini"

Mangwana acho handina kuenda


kumombe ndanga ndichida
kunotongwa kwaSabhuku.Ndakaenda
kunobatsira mhamha basa kwaGogo
Maviza.Ndakaita basa rekutsvaira
ndikapedza ndikaenda kunozembera
mota ndichidziya mushana ndichitaura
nagogo.Lee akabudawo mumba
paakandiona akatanga kupopota.

"Iwe muroyi usazembera mota yangu


unozoizadza tsvina dzako" akadaro

"Mukomana iwewe nyaya yekunditi


muroyi ndakuzokurova manje mota
yacho inoshamisirei hee" ndanga
ndatsamwa kumurova ndaida but
ndakanyara gogo chete.Dai pasina
izvozvo ndakatomupesanisa shaya
handina wandokwata ini.

*LEEROY*

Kamusikana kanonzi Hilda ndanga


ndatokavenga kusvika
pekupedzisira.Munhu anga nditema
nendove yemombe apedza onyepa kuti
yakadonha yega ko aida kuita sei nayo
mudenga imomo ndosaka ndichikati
kamuroyi.Ndakaona kuti kukarova
kupedza nguva ndokatyora mabhonzo
kaita mwana kwandiri.Iko ndaitoshaya
kuti kaitemba chii kutoda kumira neni
ndofirst time kutukwa nemusikana
ndosiziva vasikana vachindirwarira.

"Muzukuru chiii chiri kumbokunetsa


wakauya wachinja wanga
usingambodaro wani,Hilda ndomuziva
haadenhi munhu ndiwe wakamutanga"
said Sekuru vangu ameno kuti vairara
naye here Hilda wacho zvavari
kumuchenesa kudaro ariye ane
mhosva.

"Sekuru apana zvokurwadzai nekuti


hamusi imi makatemwa nendove
yacho, musikana uyu ndatomuvenga
pasi nekudenga kwandiri mudzimai
wasatan" ndakadaro

"Yohweee ndihwo hunhu


hwamakudzidziswa mhiri
kwemakungwa here mwana waFreddy"

"Aiwa chingozivai kuti Hilda ienermy


yangu dai kusiri kuti ndorespecta mai
vake dai ndakamutyora tyora
mabhonzo" ndakadaro ndichibuda
mumba.Ndipo pandinomuona
akazembera mota
yangu.Ndakamupopotera asi
ndakazonyarara ndaona iye agumbuka
aitoda zvefight neni asi ndakaona kuti
anenge akanyara gogo vangu.

Ndakatora bhasikoro rangu ndikabuda


ndichirova marounds kumboona
nzvimbo sezvo ndanga ndane nguva
ndisina kusvika kumusha.Ndakabva
ndasangana nekamusikana kanonzi
Tasha kandaimborara nako ndichiri
kugara kuno.Kaitondirwarira kabbe
ikaka kakafara pakakandiona.Kanga
kakashata asi kaiva nebody structure
yakanaka.Mwana anga akaumbwa
zvake iyeye asi face yacho
ndeyechikomana.Ndakaona maitiro
ake aitoda zvekurara neni manje ini
ndaisada nekuti nesport yangu
yandoita haidi kurara rara nemabbe
ndopera.I'm a professional athlete
ndaitomhanyira nyika.Ndaimhanya
100m ne200m ndakakurumidza kuita
mari ndiri mudiki I'm 23yrs.Izvozvi
ndine kaclub kandiri kumhanyira
kuEngland kanonzi Finstars Legends
zvekuti ndaitambirawo mari paweek
rega rega.Ndiko kwandaiita degree
rangu re Electrical Engineering
paOxford University.Vabereki vangu
ndini ndakavatengera imba yavari
kugara mutown vakaretire vese dad
vanga vari headmaster ,moms vari
teacher.Tinozvarwa tiri vaviri
nehanzvadzi yangu Cindy ari form
5.Ndini ndakatoita kuti family yedu
iwonekerewo through sport yangu.
Ndakaoneka Tasha ndikamuti
ndokuona manheru akafara ko
angatadza nei aingoda zvekurarwa
neni.Ndakaenda kumba ndikasvika mai
hilda vakutobuda vachiti vakuenda
kwasabhuku.Ini nekuda zvinhu
ndakateverawo kwasabhuku ndaida
kunzwa nyaya yacho ndakasvika
pakatozara vanhu.Ndakazoudzwa
neumwe mkomana nyaya yacho iiih
Hilda akaoma kurova vakomana 4
kuvasiya vazvimba.Ndakaona kuti
anenge aine zvaimugara chete manje
ini andina basa nazvo ndorova agarwa
nemashayi ake mutemo wangu
andirohwi nemusikana.
Hilda wacho anga asipo paingova
namai vake.Ndakaona akuuya
akapfeka rimwe zitrouse rembiri yekare
vanhu pavakamuon vakatanga kuseka
even sabhuku wacho nekuda
kwedressing yake chiona serious
yanga yakarohwa apa akapfeka
bhareta reyellow mumusoro.Hilda
anenge aibhema chete hazvisi zvega
izvi.Nyaya inotanga vakomana
vanosimuka votaura nyaya yavo.

"Musikana unobvuma here zviri


kutaurwa nevakomana ava "
"Ehe ndobvuma zvekuvarova chete"

"Zvimwe unopokana nazvo here tiudze


side rako tinzwe"

Hilda anosimuka obvisa bhareta rake


otaura nyaya yake.Vakomana ava vane
shuwa kuda kurepa Hilda nezvaari rega
ndiseke hangu regai varohwe.

"Ari kunyepa uyo akandihedha nezuro"


said mai Tafi vachidaidzira.

"Mai imimi nyararai ndozvitaura kuti


murara nababa mike pamuzhanje uri
paside rwerwizi kutaura kudai
makatosiyapo pant yenyu yebrown"
akadaro Hilda.

Ndakaona Mai Tafi vasvava vatarisa


pasi ivo mai mike vakasimuka
pavakagara vakaenda pana mai Tafi
vakasvikovarova.Yakava batai batai
musi uyu vanhu ava vaive masahwira
aizivikanwa neraini rose.Nyaya yaMai
Tafi naBaba Mike yakanzi ichatongwa
mangwana acho.Sabhuku vaida
kuenda kumuzhanje kunoona kuti
zvataurwa naHilda ichokwadi here.

Hilda akanzi aisava nemhosva


nasabhuku vakomana ndivo
vakapihwa mutongo
unorwadza.Ndakabhoekana ndaida
vape Hilda mutongo wakaoma manje
vanoita kunga vanodawo Hilda
sei.Nyaya yakapera ndikaenda kumba .

Ndakatora mota yangu ndikaenda


kugrowth point ndaida
kumbotenderera ndichiona nzvimbo
yandakakurira.Ndakasangana naTasha
ikoko akapinda mumota ndisina
kumuti apinde.Ndakaona kuti mwana
uyu ndiri kumuregerera.Ndakamutsa
mota ndikaenda kusina vanhu
ndakanorova zvinhu musi uyu ndanga
ndakafarisawo.Takadzoka kumashops
kwakutoda kusviba Tasha anga
akundisvota hanzii hee unondiroora
rini hee next time ngatisashandisa
maprotections.

"Chidzika Tasha kwasviba ndakuda


kuenda kumba"

"Handei unondisiya pachibhorani


ndasiya mabucket angu" said Tasha.

Ndakamutsa mota tikaenda


ndakanomira pachibhorani.Panga
patori nevanhu vashoma ndakaona
Hilda anga atoripowo akagara
pabucket akabata shaya airatidza kuti
pfungwa dzaitove kure.
"Iwe muroyi ukudei pano" ndakadaro
akavhunduka paakandiona.

"Bambo musabvunze zvamunoziva


pano panoitwei" akadaro

"Ukuda kuchera mvura pachibhorani


chaani huh unoziva akachiisa here"

"Iwe gudo handina basa nazvo zvekuti


ndechani kuti ndiani akachiisa
chandoziva chakaisirwa isi vanhu kuti
tiuye tichere mvura wanzwa here iwe
bveni" akadaro asi ndakabhoekana
anganditi bveni inini ndichinzi Mr
Handsome nemabbe.

"Manje handichadi kukuona uchichera


mvura pano handina kuisira chibhorani
mapenzi akaita sewe"

"Ndizvo zvandinoda kuona izvozvo Mr


Bveni" akadaro.

Akaenda kunochera mvura


achidhairwa nekamwe
kamusikana.Ndakanoirasa mvura
yacho handidi zvekujairirwa munhu
ndamuti handidi kukuona pano oita
nharo.

_drop your comments please_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 3*


[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 3*

*#HILDA#*

Leeroy pese paindiona aida


zvekundidenha ndaizviona
hangu.Kurasa kwakaita mvura yangu
kwakandibhowa akaratidza kundijairira
zvinova zvandanga ndisingade.Ndaida
kutomuhedha asi Tasha akabva amira
pamberi pangu.

"Hilda undinyare wanzwa ukuda kudii


ita semunhu akakwana siyana
nemumkomana wangu" said Tasha.

"Usangohakira nyaya dzausingazive


kuti dzakatangira papi, zvekuti
mkomana wako andina basa nazvo
muudze andidzikamire
ndinomupwanya pwanya" ndakadaro
ndakatarisa Lee anga
akatonditarisawo.

"Hilda wakuenderera mberi manje


ndinokukuvadza ini andisi ana
Tafadzwa wavakarova" akadaro
Leeroy.

Elena akasvikawo nebucket rake


akacherera mvura pamwe chete
nerangu achibva auya kumira pedyo
neni.Ndakaona aida kunzwa nyaya
dzataitaura ndomuziva Elena anoda
zvinhu plus makuhwa.

"Leeroy uri shumba isina mazino


handikutye apa wakashata futi"
ndakadaro Elena akabva aseka.

"Akawo kanosekei kushata kutodza sis


vako" said Tasha achidenha
Elena.Elena hapana chaakapindura
hake akafinyama.Lee akarova pasi
tikasara tichionesa Tasha moto.

"Ndatonyara mkoma Lee ndingadai


ndakurova wanzwa zvikanzi bata
akashata inini newe ndiani anobatwa
unofunga kuti ukaita magaro mahombe
ndokunaka here " kakadaro Elena.
"Muri kuda kundirova here mese
hondo yamatanga neni munozogona
kuipedza here" said Tasha.

"Ari kutaura zvehondo ndiani nhai


vanhu vasina kufunda monetsa"
ndakadaro.

Akaridza tsamwa akatora bucket rake


akaenda kumba kwavo.Isu takabva
tatoendawo kumba tikasvika moms
vari kutobika.Vakambotituka kuti
tanonoka tichiitei Elena akutaurirawo
moms zvaitika.Ndakabhoekana Elena
aitoita kunga mwana mudiki iye akura
14yrs zvimwe hazvidi kudaro maybe
ndizvo zvinoita malast born.Moms
vakatondituka musi uyu ndakaramwa
kudya sadza racho.

"Elena uri benzi nxaaa saka wapihwei


zvawaudza mhamha unobhowa"

"Whatever moms vangu ndovada


ndovaudza zvese zvaitika kuti vazive
unoti ndakafanana newe here unopa
mhamha BP" paakapedza kutaura
ndakamupa mbama akatanga kuridza
mhere.Mhamha vakazotosvika
ndamhanya kunozvivharira muroom
mangu vakaedza kuknocka ndikava
ignore ndaiziva ndikavhura
ndairohwa.Maitiro aElena kunga anoda
Leeroy ameno pamwe ndini ndikutadza
kuona.

Ndakabatwa nehope musi uyu


ndakararisa ndakazotomutswa
naPetso tikaenda kumombe.Takaona
mazhanje divi rataifudzira
mombe.Taitaura nyaya tichidya
mazhanje mamwe acho ndakaisa
mukabag kangu ndaida kunopawo
Elena namai vangu.

"Ndoda kutemerawo musikana wangu


mazhanje anomafarira" said Petso.
"Ana Petso kuda kunzi une musikana
here"

"Hilda ndikukuudza chokwadi ndinaye


wandoda nemoyo wese iye
achindidawo ndakatoperera paari"
akadaro achinyemwerera ndakatoona
kuti musikana iyeye aidiwa
pachokwadi.

"Aah sei usina kundiudzawo anonzi


ani musikana akaba moyo wasahwira
wangu"
"Natasha uyo anozivikanwa nekunzi
Tasha" paakadaro ndakavhunduka.Ari
kureva Tasha ari kudyiwa naLeeroy
chete nekuti ndiye ega anonzi Tasha
muraini medu.Ndakada kumbomuudza
kuti musikana wako haite asi ndakaona
kuti ndinenge ndabhaiza big time
aigona kuzviuraya.

"Sei wanyarara pandati ndiTasha asi


haite here"

"Anoita ari bhoo" ndakanyepa


ndichidaro ndaida kuti azvionera ega
mabasa aTasha.Ndoda kutoita kuti
azvione nguva ichiripo.
Petso akandiudza kuti ndiye akabvisa
Tasha humhandara ,pese paihora
aimupa half pay yake.Aitoda
kutomuroora ndakaona kuti anga
akaperera.Ndakafunga kumuudza
pakati ndakuda kutomuroora ndakaona
zvinozoita sekunga ndiri kurwadziwa
naye.

"Petso zvekuroora chimbomira


marriage haidi kumhanyira iyi"
ndakadaro

"Why wadaro asi Tasha apana


chandoshoora paari ini"

"Chimbodzidza umwe wako usati


wamuroora uone kuti akamira sei
Petso please" ndakadaro.

Ndakaona kuti ndaipedza nguva yangu


Petso wacho aita kunga
akadyiswa.Zuva iri takakurumidza
kuenda kumba Petso aiti ari kuda
kunoona mudiwa wake.Ndakasvika
mhamha vachiri pagogo vachibatsira
kumenya nzungu.Leeroy ndakamuona
hangu ari mumota make ari pafoni
pake.
"Nhasi makurumidza kudzoka
ndonguva dzakanaka kuuya kumba
idzi mukafarira kufamba husiku
morumwa nenyoka" said gogo Maviza.

"Taura henyu manje Hilda wacho


haanzwi" said moms.

"Atozvinzwa hake ,Hilda muzukuru


tora paperbag iro ndikuisire nzungu
munokanga naErena" vakadaro gogo.

Vakandiisira nzungu dzakawanda


ndakafara nekuti dzimwe ndaida
kuenda nadzo kumombe
mangwana.Ndakuenda kumba Leeroy
akabuda mumota make akamira
pamberi pangu akafuta nehasha.

"Dzosa nzungu idzodzo iwe rombe,


gogo ndatengera imimi nasekuru
nzungu idzi makupa muroyi uyu
zvoitawo here" akadaro Leeroy.

"Mwana waFreddy chiii


chinombokunetsa muedzo pamba
pangu handide , mashoko aunotaura
haite ,Hilda enda hako siyana
nemupengo uyu" vakadaro Gogo
vanga vagumbuka nekamuitiro
kemuzukuru wavo.
*CASPER*

Mai Hilda ndakavarambira chihure


ndakaona kuti anyepera kunamata
achihwanda nechurch achirara
nevafundisi.Vana mufundisi vaisvika
pamba pangu vachinyepera kunamata
kuri kutaimira mai Hilda
zvaindibhowa.Vainyepera kunamata
ivo vachistonyana
muchihwande.Ndakavadzinga vese
nevana pamwe hasi vangu futi.
Mai Hilda vakada kumboita nharo
kuramba kubva pamba asi
yakapindirwa nehanzvadzi yangu
Kundai.Kundai neni takavadzinga
ameno vakaendepi kuzonyepera
kuchema kani.Muchato handina
kugurisa asi very soon ndinenge
ndagura.Mkoma vangu baba Kelvin
avana kufara nekudzinga kwandakaita
Mai Hilda ndakazviona hangu.Vaita
kunga vaidawo mai Hilda maitiro avo.

Ndakatora friend yaKundai


yandaifambidzana nayo mai hilda
vachipo.Stella ndaimuda aiziva
zvaanoita mubedroom nekubika yaiva
shasha asi aiva nenungo.Ndakatsvaga
maid anonzi Tariro ndiye anoita basa
rese asi kubika Stella mkadzi wangu
munyowani ndiye aibika.Anga ane
vana vake matwins mkomana
nemusikana.Hellen naHawrd ndivo
vana vake vanga vatokura same age
naElena wamai Hilda.Ndini
ndaivachengeta chese chavaida
ndaivapo ndakatovaendesa
kuboarding
school.Vaindiremekedzawo sababa
vavo izvi zvaifadza Stella.Stella
akabata pamuviri pangu ndakafara
zvekuti ndakatomutengera mota yaida.

Rimwe zuva ndabva kubasa


ndakasvika Stella akagara pasofa
achiona TV hake.Paakandiona
akandimhanyira akanditsvoda.

"Daddy ndanga ndakusuwai"

"Kana neni mudiwa uri sei hako"

"Handisi bhoo ini"

"Why honey"

"My mother is not feeling apa handina


mari yekuvaendesa kuchipatara"
akadaro achinzwisa
tsitsi.Ndakatomupa mari yakawanda
akati achamukira kuenda mangwana
acho achaita week ari ikoko.Handina
kuita pressure nazvo hangu.

Stella akamukira kuenda neimwe mota


yangu.Ndakasara naTariro uyo anga
asinganyanyi kutaurisa.Akabika
ndikadya ndipo pandakaona kuti uyu
aibika kupfuura Stella wandairumbidza
kuti anogona kubika.Ndakada
kumboita nyaya naye aingopindura
ma1 word ndakasiya naye akabva
aenda kunorara.Musikana uyu ndofana
kutomudya chete Stella asati adzoka.
_DROP YOUR COMMENTS PLEASE_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 4*


[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 4*

*#LEEROY#*

Ndakarwadziwa ndichiona gogo


vachipa Hilda nzungu dzandanga
ndavatengera kuti vagadzire dovi
ravo.Ndakamira pamberi paHilda
ndikapopota asi ndakaona gogo vanga
vatsamwa nekuita kwangu ndakapinda
mumota ndikaenda kumba kwana
Mike.Mike ndaiwirirana naye pakuti
ndakadzidza naye kuprimay
ndakadzidzira kuno
kumusha.Ndakasvika asipo paingova
namai vake vakati aenda kunoona
bhora remabhuza.Ndakaendako
ndikamuona ariko.

"Ko hindava kusabatika chibaba


ndaikutsvaga ndichikushaya"
ndakadaro.
"Aaah ndobatika nguva shoma most of
the time ndinenge ndiri mumazhets
angu" said Mike.

"Mazhets eyiko amunoita ana Mike"

"Haaaa iwe ukutondi sayiza ka"

"Ngatibve pano bhora rikusvota iri"


ndakadaro

"Ringatadza kukubhowa iwe uchiita


zvekumhanya like Usain Bolt asi
unofamba wangu ndakaona video rako
uchisiya Micheal Ohara wepaJamaica
apo sando chibaba" said Mike
achindipa sando.Ohara wacho
aitaurwa aifamba kwete zvekunyepa
ndakamusiya neluck chairo tanga
takarumana parace racho.

"Aaah asi ndapera shaaa ko bbe rako


riripi rawaindiudza nezvaro
pafoni"ndakadaro.

"Ndakarambwa kudhara andibata


ndakarara nekamwana kasabhuku
kemagaro mahombe kaya" said Mike
andina kuziva kuti aireva upi nekuti
vana vasabhuku vakawanda
vakabatana.Takambotenderera
tichitaura ndakasiya ndamutengera
doro nechamba.Ndakasvika kumba
gogo vachakanditsamwira nenyaya
iya.

"Leeroy muzukuru wangu chiii


chinomboitika pauri kahunhu kako
kanosvota unotuka Hilda mai vake
varipo kuti zvidii ini andisati
ndambonzwa Hilda achikutuka iva
nehunhu pane vanhu" said Gogo.

"Kana zvirizvo zvavari kudzidziswa


kunze kwenyika pano unobva hako"
said sekuru.
"Sorry gogo nasekuru handichadaro
futi kungoti Hilda anondimara chete"

"Zvekuvengana kwenyu handina basa


nazvo asi ndikuda uite hunhu iye Hilda
wacho haana problem musikana uya
ane tsika kungoti inhamo zvayo iri
kumba kwavo" said Sekuru.

Ndakanzwisisa zvavakataura asi


zvekuti Hilda haana problem ndipo
pandinopikisana navo asi ndaisada
kutaura hangu.Ndakadya ndikaenda
kunorara, ndakamukira kujoga
ndikasangana naPetso aina Hilda
vachienda kumombe.Petso ndiye
akandimhoresa chete Hilda akaramba
achifamba zvakandibhowa ndiri munhu
anoremekedzwa ini anofana
kundimhoresa ndakavaisira chibhorani
vakada kufarisa ndochibvisa
ini.Ndakanomubata ruoko,
pandakamubata ndakanzwa magetsi
mumuviri wangu ndakamuregedza
akacheuka akandisvipira mate.Zvekuti
ndanzwa magetsi pandamubata
ndakazviisa paside ndakamurova
mbama iye akadzorerawo .Panga
pakutoda kutokandirwana zvibhakera
asi Petso akamhanya kubata.Dai asina
kubata Hilda aienda kumba asina
mazino ndamukwapaidza dzungu rese
raipera.
"Petso ndisiye anondijairira muroyi
uyu kundisvipira mate ndoda
kuchibvisa chibhorani changu tione
munocherera kupi mvura majaira"
ndakadaro ndanga ndagumbuka
kusvika pekupedzisira.

"Watononoka shaa bvisa atina basa


nacho tongocherera kutsime
kwataicherera kudhara mvura
yepachibhorani chako inoshata
inonhuwa wet" said Hilda achidhonza
Petso kuti vaende.Ndakavasiya
vachienda asi ndanga ndakatsamwa
Hilda anondijairira.Yangu haiperi
yakadaro ndoda kumuwachisa
chete.Ndakaenda kumba ndikatosvika
mai Hilda vachitsvaira pachivanze
ndakavamhoresa ndichibva ndapinda
mumba.

Ndakageza ndichibva ndaenda


kuground kunogara ikoko ndaida
nguva yangu ndoga.Ndaitaura
nehanzvadzi yangu Cindy
pafoni.Mugroundmanga musina
munhu ,Tasha akabva asvikawo
akapfeka kaskirt kadiki kakabata
wainyatsoona kuumbwa
kwake.Akasvika akagara pamberi
pangu apa akatadza kugara zvakanaka
zvekuti ndaitoona kuti anga akapfeka
pant yered.

"Lee ndanga ndakusuwa apa


haupindure matext angu why" said
Tasha akanditarisa achinyepera
kugadzirisa kaskirt kake ndanga
ndatoona kare.

"Ndinenge ndiri busy, uri kubvepi


wakapfeka kaskirt kadiki aka"

"Ndatumwa kumashops namhamha


ndakuona ndiri paMutemwa apo, skirt
iyi ndaipfeka nekuti ndawacha hembe
dzangu dzose" akadaro hake asi ini
ndanga ndatoshatirwa kudhara ndiri
munhuwo wenyama.Ndakamuti
katimbofamba famba ,takafamba
tikaenda paposhito rangu
randakambomurovera futi
masinhi.Panga patori nekabox
kemaprotectors kandakasiyapo
handina kutambisa nguva ndakarova
zvinhu ndikapedza.

"Lee ndakuda kuita mukadzi wako


unondiroora rini nhai" said Tasha.

"Handisati ndakuda mkadzi shaa


ndichakuroora kana nguva yakwana"
ndakanyepa ndichidaro nekuti Tasha
ndaisamuda pachokwadi ndaingoda
kurara naye chete ndosiya.

"Aaah unopenga Lee saka unongoda


kurara neni chete here, ndikanzwa kuti
une umwe musikana ndozviuraya kana
kuuraya musikana wacho" said Tasha
akarova serious ndakaona type yana
Tasha inogona kuzviita.

*HILDA*
"Hilda zvawaita kuna Lee zvakashata
kumusvipira mate" said Petso.

"Hazvina basa neni izvo I hate him ane


kahunhu kanobhowa"

Haana kupindura Petso akaramba


akanyarara akatogona nekuti dai
akaramba achitaura nyaya dzina
Leeroy mukati ndaizogumisira
ndamutuka.Musi uyu takadzoka kumba
zuva risati radoka, ndakasvika
nekuenda murwidzi kunogeza
hangu.Ndakaona Leeroy naTasha
vachibuda musango apa Leeroy zip
isina kuvharwa.Lee ndakaona kuti
anga akunyara ameno ainyarei ipapa
akarova serious achifamba ndakasara
naTasha akasunga chiso chake.

"Tasha haunyare here nhai why


ukucheater Petso inga wani anokuda "
ndakadaro

"Mind your own business Hilda, Lee


kana Petso vakaziva kuti
ndikuvacheater ndonetsana newe
ndiwe unenge wavaudza ooh naMwari
ndinokuuraya inini" said Tasha
achitopika chiona kaskirt kacho kadiki
diki pane basa apa.
"Tasha ndinokumamisa wanzwa"
ndakadaro ndatomubata colla
ndakaona ndabatwa naElena aibva
kuchikoro.

"Sis siyanai naye kani handide murwe


nevanhu " akadaro Elena.Takabva
tatoenda tese kurwizi takangosiya
Tasha akamira akatitarisa ameno kuti
aifungei andina basa nazvo
handimukwate.Elena akatobvunza
nyaya yatainetsana naTasha
ndakatomunyepera nekuti ane
makuhwa mwana wamai vangu
zvaizoswera zvaudzwa mhamha
nevamwe vanhu kuchikoro kwavo.
"Sis Mike ari kundipfimba anondigarira
muroad pandobva kuchikoro" akadaro
Elena.Haangatadze kupfimbwa itwo
twumazamo twanga twavapo.Mike
ndomuziva nekurara nevasikana
achivasiya anodanana naTasha
futi.Age yaElena ndanga ndisingade
aite mukomana she is still young chero
hake abuda mazamu.

"Elena udza Mike kuti hanzi hokoyo


neni tambira kure,ndikangoziva kuti
wakuita zvevakomana ndokurova
ndoda uite sezvandakaita ndakapedza
form 1 to 4 ndisina kumboita mkomana
kwete kuti ndanga ndisingapfimbwi
ndaitopfimbwa asi ndaida kupasa
ndifadze mhamha" ndakadaro

"Okay sis ndichamuudza, Mike


ndakatomuvenga ndakamuudza nyaya
dzako handidzide ndichiri mwana asi
haanzwe, don't worry sis ndoda
kupedzawo sezvamakaita ndopasa
ndisina kumboita mkomana" akadaro
achipfeka hembe dzake tanga
tatopedza kugeza.

"Okay mupfana wangu kana pane


anetsa futi unoudza inini not mhamha,
usakanganwe kuudza Mike
zvandataura".

Takasvika kumba mhamha vakatogara


zvavo takasvika nekubika.Takadya
tichiita nyaya namoms vangu
ndakazoona nyaya dzachinja
dzarerekera kwandiri.

"Hilda une hutsvina hazvidi kudaro


mwana wemusikana unotokundwa
smart naElena uyu" said Moms

"Mhamha yaipi futi yamakutaura"


"Pwaipi pwaipi kudiii nyarara apo
mangwana hakuna kwaunoe nda
unoswera uchigeza hembe dzako
nemagumbezi ako nekutsvairawo
muroom mako wajaira kuda kuitirwa
zvese naElena"

"Asi mhamha nda....."

"Hilda nyarara handidi kukurova


wanzwa here"

"Ehe apa magona mhamha nekuti sis


vanondigezesa hembe dzavo
nekutsvaira muroom mavo varipo
zvondibhowa, madiii kuvati
vasasaenda kumombe zvachose nekuti
kubva pavakatanga kuenda kumombe
vachinja vakuti utsvina plus kuda
zvenoise nevanhu nhasi ndavabata
vachida kurwa naTasha" kakadaro
Elena.Ndaishaya kuti anga
akanyatsokwana here mwana uyu
kutondipandukira.

"Elena ndichakurova chete iwewe


apana anondimisa kuenda kumombe
inini" ndakadaro ndatofutisa matama.

"Ndiwe wava mai pano here chinzwa


manje handichadi kuti uende
kumombe wakuita zvekudiridza garden
ragogo maviza, siyana nekunetsana
naTasha mwana wasabhuku ukuda
tidzingwe muno here" vakadaro
vachibva vaenda kubedroom
kwavo.Ndakasara ndichichema
kumombe kwaindinakidza ini apa
ndaidzifarira sei mombe dzacho.Elena
anga akatonditarisa ndakabata shaya
ndichichema.Elena akandibhowa
andidi kunyepa sei akafurira mhamha
kuti ndisasaenda kumombe.Asi
mhamha vanoda Elena kupfuura inini
vanoteerera zvaanotaura asi zvangu
havadi kuzvinzwa.Vanoda Elena
ndinonzwa hangu vachiti itawo
saElena.
"Usanditarisa kushata zimuroyi
remunhu" ndakatuka Elena anga
akanditarisa.

"Sorry sis " akadaro maziso atojenga


misodzi.

"Futseke hauna kukwana mbuya


makuhwa nxaaa" ndakadaro
ndichisimuka kuenda kuroom
kwangu.Elena akateverawo akandiona
ndichichema ndakaona akutobudisawo
musodzi.Akadeedza mhamha vakauya
vakabata shamhu.

"Kasira kunyarara izvozvi ndisati


ndakurova chaunochema chiii ipapa
pukuta misodzi iyo" said moms
ndakapukuta musodzi yangu
ndakanyarara asi ndairwadziwa sei
mhamha vangu vachindidaro.

Vakasiya shamhu yavo padoor


vakabuda.Ndakaitora shamhu yavo
ndikakiya door ndikatanga kurova
Elena nayo hanty ndiye anga
akonzeresa ndakapedzera hasha
paari.Mhamha vakaedza kunoka asi
ndaitopopota chete.Ndaimurovera
makuhwa kuda kuzviita anoziva
zvakanyanya kupfuura ini.Ndakavhura
door ndikamukandira panze
akanodonhera pamakumbo pamhamha
ndichibva ndakiya door.Ndakachema
neshungu ndiri mumba mangu kusvika
ndabatwa nehope.

_sorry nekunonoka kuunza book


ndanga ndiri busy kugraft asi thanks
nemacomments enyu_
*WATCH OUT FOR CHAPTER 5*
[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 5*
*#CASPER#*

Ndakamukira kuenda kubasa asi moyo


waisada kuenda ndichifunga
Tariro.Kubasa kwacho
kwaitondibhowa zuva iri ndaitoronga
tsoro dzangu kuti ndobuda sei bhobho
pana Tarie nekuti zvaida kuronga
nekukurumidza Stella asati
adzoka.Ndakaenda kumba palunch
ndikasvika Tarie akagara pasofa
achiona TV.Akandimhoresa akandipa
chikafu changu ndakadya apa iye anga
aenda kunozvivharira muroom
make.Ndakaenda ndinoka akavhura
akamenya serious.

"Ndokubatsirai nei Boss" said Tarie

"Call me Casper plizz, ndine nyaya


newe"

"Taurai nyaya yenyu ndakateerera"

"Ummm Tarie ndokuda pandokuona


hana yangu inorova zvoreva kuti ndiwe
wangu chaiye" ndakadaro
ndakamutarisa akabva atanga kuseka
achirovanisa maoko.
"Asi mabhema kani nhai ko mkadzi
wenyu anozviziva here kuti
ndozvamunoita gutsikanai nemkadzi
wenyu chiii chamunoshoora paari"

"Tariro I'm serious, iwewe unokunda


Stella kubika even pasmart plus iwewe
you ar beautiful than Stella" ndakadaro

"Ndizvo zvamunongotaura varume


munongoda kutiitisa mapedza motisiya
modzoka kuvakadzi venyu ini kuti
tidanane hazviite byee" akadaro
achivhara door rake.

I will never give up uyu ndiye


aizondibvuma chete haandizive
mushe.Ndakazviona kuti adyira asi
kungonyara kubvuma chete.Mazuva
akafamba week rikasvika pakupera
Tariro achitsika madziro.Akazoti
nditengere imba kuti ndione uri
serious nezvangu here nekut
ndaitomunyepera kuti ukandibvuma
Stella ndomuramba.Ndakamutengera
imba yakanaka ine 6rooms akabva
andibvuma anga akutogara ikoko rudo
rwaitsva.Makumbo ndairova pandadira
mwana iyeye huchi kwete zvana Stella
danda.
Rimwe week rakasvika pakupera Stella
asati adzoka foni yake
yairamba.Ndakafonera Ivy sis vake
vekudzoswa kumurume nechihure
vakati Stella haana kumbouya kuno
mhamha havasi kurwara futi.Saka
akaendepi nhai zvoreva ari
kuzvikomba zvake pamwe nhumbu
yaanayo haisi yangu futi.Stella
akazouya hake asi handina
kumubvunza kuti wanga uri ndanga
ndisisina basa naye ndakaona aingoda
mari yangu chete manje adzva ava
kudya mari dzangu ndiTarie.
*LEEROY*

Ndakanyara patakasangana naHilda


tichibva musango naTasha.Ndakaenda
kumba ndikanogeza ndichifunga
mashoko aTasha achiti akuda kuita
mkadzi wangu anogona kungonditizira
uyu regai ndisiyane naye nditsvage
umwe.Ndotsvaga musikana wechidiki
haanetsi.

Ndakamukira kujoga ndikaona Petso


achienda kumombe ega zvaitoreva kuti
Hilda aripo paden pake.Ndakaenderera
mberi nekujoga ndikasangana naMike.

"Muri kuendepi makuseni ano


mudhara" ndakadaro

"Shaaa pane kabbe kandiri kuda


kuperekedza kuchikoro ndiri
kukapfimba saka nduda kukaratidzawo
kuti ndiri serious waizia"

" kanonzi ani kabbe kawarongerwa


parefu kudaro"
"Elena kamunin'ina kaHilda" akadaro
ndakavhura ziso kushamiswa nazvo
nekuti Elena anga achiri mudiki
kungoti musikana akabuda mazamo
boys rotomhanyira.

"Haaaaa hausi wakuzvinyanya here


nhai kachiri kadiki ako"

"Katoibva ako ndini ndikuda kutanga


nako hauoni katova nemazamo kuzoti
garo handichataure riripo" said Mike.

"Asi hutsinye hwauri kuda kuita Mike


musiye ambokura kani" ndakadaro

"Asi Elena wacho unomudawo here"


said Mike.

Ndakasiyana nazvo zvanga zvakuita


kunga ndoda Elena wacho.Akarova
pasi ndakasvika pamba gogo vari
kugota moto.

"Ko zvikoro zvovharwa rini ndasuwa


muzukuru wangu Cindy" said Gogo.
"Next month zvinenge zvavharwa
ndipo pandiri kudzokerawo"

"Hoooo ko ichokwadi here chandiri


kunzwa Leeroy" said Gogo.

"Chokwadi chipi Gogo"

"Kuti uri kudanana naTasha mwana


wasabhuku" pavakadaro ndakarohwa
nehana nazvo.Ndakatoziva kuti
vaudzwa naHilda chete ndoda
kumubvisa chiri kumeso pandomuona.
*HILDA*

Ndakamuka zuva ratobuda mhamha


vatoenda kubasa kwavo uyuwo Elena
aenda kuchikoro.Ndakageza zvidziyo
ndikatsvaira mumba mangu
kutendererera nemuroom mamoms
futi.Muroom mangu manga mane
tsvina regai mhamha
vapopote.Ndakabvisa magumbezi ese
aiva pabed ndikatora nehembe dzangu
dzose dzakasviba ndikaisa mudish
hombe.
Ndakatora badza ndikatanga kurimira
panze nekutsvaira zvekuti pakasara
pachena.Ndakatora dish rangu rine
washeni yangu ndikaenda kurwizi
kunogeza hembe.

Ndakageza hembe dzangu


nemagumbezi ndikapedza ini wacho
ndikatogezawo.Ndakadzokera kumba
ndakasangana naTindo wemuraini
medu achienda kuhove.

"Bhooo here Tindo hauna zvimwe


zviredzo here ndikuzvidawo"
"Ndinazvo ndichazokupa mangwana
masikati, rega ndimhanye ndanonoka"
akadaro akutomhanya.

Mhamha vaifunga kuti vakandigona


kundirambidza kuenda kumombe
manje ndakuda kuita zvekuredza hove
ndichitengesa.Ndakasvika nekuyanika
hembe dzangu ndikapedza.Ndakabika
chikafu ndikadya ndikambozorora
ndanga ndichida kutoenda kuvhura
garden rangu.

Ndakatora badza nebhemba ndanga


ndafunga kuvhura garden rangu pedyo
nerwizi.Ndakatema tumiti twaivepo
ndikapedza changa chasara kufensa
chete.Ndakadzoka kumba zuva rava
kutodoka ndikasvika mhamha naElena
vatovapo asi ndaiona mufaro pachiso
chamai vangu.

"Mwanangu ndikufara nezvawaita dai


ukaramba wakadaro usachinja hona
pamba patova smart ndokuti musikana
akarongeka"

"Shuwa mhamha nhasi ndoda kurara


nasis vangu" said Elena.
"Unopenga wakuona kuti machena ka
enda handichakude mangu kkkkkkk,
ko Hilda uri kubvepi nebhemba iro"

"Ndikubva mubani umo kunovhura


garden mhamha ndafunga
zvekumborima
mavegetables"ndakadaro.

"Zvinofadza mwanangu Mwari


vakuropafadze, tinenge
tisingachanetseki nemuriwo wagona
Hilda ukagara wakadai
hatimbonetsani"
Takaenda kunorara naElena tichitaura
nyaya anga asina kunditsamwira
nekumurova kwandakamuita nezuro
wacho.

"Sis zvandaitirwa naMike nhasi


zvakaoma"

"Aita sei"

"Andiperekedza kuchikoro makuseni


akanditengera maMega apa auya
kunditora futi"
"Mamega wacho wamaisa kupi nhai,
Elena vakomana ava ndizvo zvavari
vanoita kunga vanokuda ivo vachida
kungorara newe chete vakarara newe
vanobva vakuramba"

"Ndamadya naFaith shamwari yangu


uyo ari kupedza nguva yake
handimude"said Elena

"Ko wazomuudza here Mike


zvandakakutuma"

"Ehe hanzi sis vako vanopenga vane


mademon"
"Okay mira ndoda kumugadzirira size
yaanokwana"

Mike kunditi ndopenga inini achaona


kuti ndiri mupengo zveshuwa.Handina
wandikwata ini.Takarara ndikamukira
kunofensa garden
rangu.Ndakatoswera ndiri ikoko
changa chasara kutimba garden racho
ranga rakakura ndaizobatsirwavo
naElena paweekend.Ndakadzoka
kumba ndikasangana naLeeroy ari
mumota make akamisa mota yake
pamberi pangu.Akadzika mumota apa
anga akachena sei.
"Wakaudza gogo vangu kuti chii Hilda
wakakwana here"

"Futseki usandijairira iwe


ndakambotaura nagogo vako nezvako
here nhai"

"Usanyepera kuvhiringika wakavaudza


kuti ndodanana naTasha waizviitirei"

"Handina kumbovaudza izvozvo iwe


gudo ndisiye ndiende hauna nyaya"
ndakadaro ndakutofamba ndakaona
ndabatwa nekupihwa mbama
ndakadzorerawo.

Ndakazoona ndaruma muvhu


ndakashaya kuti akasimudza bhutsu
nguvai.Ndakasimuka ndikatanga
kurwisana naye akandikurira thats waz
my first defeat.Ndakaona kuti
ndakururwa ndakatora chidanda
ndikamurova nacho paruoko.Akatiza
ndakamutevera ndakaona kuti
ndaimhanyisa mhepo gap
randakavhurwa rakakurisa asi
ndakaramba ndichitevera ndichichema
apa ropa rakubuda mukanwa anga
anyanya kundijairira mkomana
uyu.Ndakasvika atozvikiira muroom
make zvekunyara ana gogo
ndakazviisa paside.Ndakatanga
kupopota ndichimutuka ndakamira
padoor pake.Gogo naMhamha ndivo
vakazondibata ndikadzikama asi Lee
ndoda kumuponda chete.

_Drop yours comments_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 6*


[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Swaadheenta_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 6*

*#HILDA#*
"Hilda Hilda" vakashevedzera moms
vakanditarisa neziso riya rekuti siyana
nezvauri kuita. Ndakabva ndadzikama
ndaisada zvekunyadzisa mai vangu.

"Chiii chamboitika Hilda ndozviziva


Leeroy ndiye ane mhosva chete"said
gogo.

"Andirova tarisai ropa rikubuda


mukanwa iri asi hazvisi fair manje
yangu haiperi yakadaro" ndakadaro
ndakatarisa mhamha vanga
vakanditarisawo.

"Mira nhasi anondiona mwana


waFreddy akuenderera manje"
vakadaro gogo vachipopota.

"Mhamha musapopotera mkoma


Leeroy taurai navo zvakanaka
ndinoona sekuti Hilda ndiye ane
mhosva akuna munhu anorohwa
pasina chaita" vakadaro mhamha
zvakatondibhowa kuti vaiva kuside
raLee.

"Leeroy andirovera kuti ndini


ndakaudza gogo vake kuti anodanana
naTasha ini ndamuti handisini
ndakavaudza saka mhamha mukuti
ndine mhosva ipi manje" ndakadaro

"Zvekuti vanodanana naTasha


ndakangozvinzwavo zvichitaurwa
nevanhu saka Leeroy anopenga
angarovera munhu izvozvo mira ndoda
kupedzerana naye" vakadaro gogo.

Ndakabva pamba pagogo ndichienda


kwatarwira ndikasvika nekuputisa
mavhiri emota ese.Ndakaenda kumba
ndikasvika Elena atoveko achidya
hake.
"Sis ko maitwa sei muromo
wakazvimba" said Elena

"Ndadonha mumuti"

"Muchitsvagei mumuti inga mhamha


vakati handidi kuona anokwira mumuti
wani"

"Iwe wakuzondibhowa siyana neni"

Mhamha vakabva vasvika ndaifunga


vachataura nyaya iya asi avana
vaitofara semazuva ose.Ndakaona kuti
gogo ndivo vanga vavatsiura nekuti
ndingadai ndakutotukwa kana kurohwa
kuti wazviitirei.

"Hilda wakura ndoda usanetsana


nevanhu ita zvinhu zvako wega plus
kunyarara kunokunda miedzo"
vakadaro mhamha.

"Okay ndazvinzwa mhamha" ndaisada


kupikisana navo zvekunyarara ndizvo
zvandisingagoni vanhu vanozonyanya
kundijairira.
Takaenda kunorara Elena achindiudza
kuti atengerwa futi mazep ndakatoona
kuti ndikasaita plan sis ava
vaizobvuma Mike nekuda
kwemazep.Ndakamuka ndikaita basa
repamba yaitova Friday ana Elena
vaikurumidza kubuda ndaida
kunotaimira Mike.

Ndakaenda ndikaona Mike


akatovamirira pagate akabata drink
nepie.Elena akabva abuda aifamba ari
ega.Ndakaona Mike achienda paari
akapa Elena zvaanga akabata Elena
akanyemwerera kuzvifarira iri ndiro
raiva benzi chairo.Vakatanga kufamba
ndanga ndakahwanda kuseri
kwerimwe zimuti.Ndaitevera zvishoma
nezvishoma kusvika parwizi
pavakambomira ndaiona Mike aiedza
kubata Elena achiramba.Mike akatarisa
kuti pane aimuona here akaona pasina
akabata muromo waElena kuti asa
screama akamutakura kuenda naye
pane kasango.Ndakatevera ndichida
kuona kuti aida kudiii Mike.

"Unoti zvandaikutengera uchidya


ndaikutengera mahara here ndakuda
mubhadharo vhura zvimakumbo zvako
ukachema ndokubaya nebanga iri"
said Mike ari busy kukuritsana naElena
kuti apinde pakati pemakumbo ake.
"Ndiuraye asi ukatadza sis vangu
ndoda kuvaudza vakupinze mugwara"
akadaro Elena achichema ndakaona
Mike atova pakati pamakumbo aElena
akutobvisa trouse zvandichareperwa
mupfana ndakatarisa ndakabva
ndabudikira.

"Mike mira wakadaro" ndakadaro


akavhunduka paakandiona nekuti anga
asaina kutarisira kuona munhu
pasango apa.Akatoona kuti apana
matiziro angakwanisa kuita, Elena
akamhanya kuuya pandiri akamira
kumashure kwangu achipukuta
misodzi yake.

"Sis Mike aida kundirepa ane banga


raanaro ipapo chimbomupinzai
muforo" akadaro Elena asi ndiye
aimboti sis musarovana nevanhu.

Ndakaenda pana Mike ndikamubanha


pakati pemakumbo akadonha pasi
achiyuwira nemarwadzo.Ndakatora
shamhu ndikamubvisa bhutsu
ndikatanga kumurova pasi petsoka
kusvika ndaneta,Elena airova mukati
memaoko nekashamu kake.
"Mike you are useless hausi murume
pavarume watadza kundidzorera
kutanga nhasi wava mushandi wangu
for 6months ndoda unditimbire
mugarden mangu ukaramba ndoenda
kwaSabhuku" ndakadaro.

"Ehe nekusima futi wapedza wodiridza


ukapedza basa iroro unouya
kuzondiona ndokupa rimwe basa ndini
boss vako" said Elena ndakabva
ndaseka.

Mike haana kupikisa nekuti aitya


kuenda kujeri.Takaenda naye kumunda
asi ndaiona kuti airwadziwa
nemakumbo andina kuita basa
nazvo.Ndakamupa badza akatadza
kuribata nemarwadzi aiva mumaoko
asi ndakamuti ukatadza kubata
ndakuenda kunotaura akashingirira
kutimba garden rangu achidikitira.

*LEEROY*

Ruoko rwangu rwanga rwatozvimba


apa kurwadza.Kutiza kwandakaita
Hilda ndakatoona kuti ndikaita
zvekutamba andiponi nezidanda
raanga akabata achida kundirova naro
rinova rakazondirova
paruoko.Ndakazobuda muroom mangu
kwatosviba ndikaenda kwaiva nagogo
nasekuru vachidya.

"Mangwana chaiye Lee udzokere


ndakutadza ungatondivengesa neraini
rose nezvaunoita" said gogo.

"Hazvinzwaro Momoyo ngatitaure


nemwana zvakanaka kunganisa kuri
muvanhu" said sekuru.

"Mumbori kuside raani heee muri


kusapota mwana achiita hubenzi
hwakadaro" vakabva vatobuda kuenda
kunorara sadza ravaidza vakasiya
ndakaona vanga vakagumbuka.

Ndakatanga kudemba
nechandakarovera Hilda ko mai vake
vaizoti chii neni.Ndakazotoona kuti
pane munhu akaudza gogo zvaTasha
,Hilda haana mhosva apa.Ndaigaya
kumukumbira ruregerero asi ndakaona
kuti anozozvifonera manje saka
ndakagaya kutaura namai vake
zvopera.Ndivo vandaizokumbira
ruregerero nekurova kwandakaita
mwana wavo.
"Usatya muzukuru mbuya vako
ndichataura navo asi iwe iva nehunhu
ita semurume" vakabva vatoenda
kunorara.Handina kuzogarisawo
ndakaenda kunorovera matama
pasi.Foni yangu yakaringer ndikaona
ndimoms vaifona.

"hie mom"

"I'm not okay son, hunhu hwauri kuita


ikoko hwakahuwanepi"

"sorry mom ameno chiii chakandibata"


"Enda unoita sorry kumunhu kuna
Hilda ukangotadza unondiona ini"
vakabva vakata foni.

Kuita sorry kuna kwaindiremera


ndaizoudza mai vake ndivo
vaizomuudza.Makuseni ndakamuka
ndikataura namai hilda vakanzwisisa
havo.Musi uyu ndakaswera pamba
,zuva rava kudoka ndakaenda kunotora
mota yangu ndikasvika yakaputiswa
mavhiri ose.Akuna umwe ndiHilda
chete manje ari kuzomatenga mavhiri
iwayo nemadhuriro anoita.

Ndaitoda kuenda kumba kwavo asi


ndakanyara mai vake.Ndakadzoka
kumba ndikasvika
nekurara.Ndakamukira kuenda kumota
kwangu ndaida kunotora imwe foni
yangu yaigara mumota.Ndakaitora
ndikatanga kufamba ndikananga
kurwizi kwandakaona Mike ari busy
kushanda kutimba garden.Elena
naHilda vaitamba maplaying
cards.Ndakananga pana Hilda
ndikamubata colla ndaida
kumuzvambaradza musi uyu
zviya.Akabva andihedha pamhino
ndikatanga kunzwa dzungu ndiye ziii
pasi.Ndakazopepuka ndakatota
ndadirwa mvura naMike.

"Hilda anokuurayai mudhara siyanai


naye" said Mike.

"Apana paya ndokumurespecta kuti


musikana ndomurova uya"

"Paya nyarara hako hauna win apa


warohwa wani "akadaro achiseka.

"Ko kushandira kudiwa naElena here


or wakutoda Hilda wacho"

"Ndiri pamaricho mudhara"


"Okay rega ndibaye"

Ndakaenda ndikabva ndasangana


naHilda achienda kumvura
ndakanomira pamberi pake.

"Wamutswa nani dai wafa mhani ibva


pamberi pangu iwe bveni" said Hilda
achindipusha.

"Hilda wakabairei mavhiri emota yangu


nduda umatenge ese wanzwa here'

"Go to hell ,anditengi mavhiri kuti ndini


ndakamaya here siyana neni Lee"
akabva atanga kufamba ndakaramba
ndakamutarusa iye haana kana
kumbocheuka.

Ndakatoona kuti pana Hilda kupedza


nguva yaitove imwe type.Ndakafonera
Cindy hanzvadzi yangu kuti auya
nemavhiri.Akasvika masikati
ndikatosota mota yangu.Gogo vaifara
nemuzukuru wavo.

_drop your comments_


*WATCH OUT FOR CHAPTER 7*
[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 7*

Garden rangu ranga rakuyevedza


rakatimbwa nekusimwa
murivo.Ndakasima Covo, rape
netsunga rimwe side ndaida kuzosima
maonions necarrots kana ndawana
mbeu yacho.Mike aidiridza makuseni
nemasakati manheru ndaidiridza
ndoga.Rimwe zuva ndichienda
kuchigayo ndakasangana nehanzvadzi
yaLeeroy inonzi Cindy.Cindy
ndaimuziva hangu asi ndaisanyanya
kutaura naye hangu.
"Hie Hilda"

"Sup how are you" ndakadaro.

"Ndiri bhoo kana uri kuenda kuchigayo


ngatiende tose kumba kuri kubhowa
uko" akadaro tichibva tatanga kufamba
tese aitova munhu ari free.Kaiva
kekutanga kunyatsotaura naye nguva
yakareba.Takasvika ndikagaisirwa
tichibva tadzoka hedu tichitaura nyaya
dzakasiyana siyana.Takasangana
naTasha aine shamwari yake Shamiso.

"Cindy wakadzoka rini ko


kusandiudzawo iih asikana makudada"
akadaro Tasha

"Ndakauya nezuro ndikutodzoka


mangwana tichazonyatsoonana
paholiday" said Cindy.

"Hooo unotowiriranawo nemuroyi uyu


nhai"

"Muroyi upi Tasha uchingori


nekahunhu kako kaya"

Ndakatanga kufamba ndaisada


zvenoise naTasha.Cindy
akazonditevera achimhanya.
"Asi naTasha hamuwirirane here"

"Ehe akandivenga nekuti ndoziva


chihure chake"

"Kana neni handimufarire asi iye


anoda zvekutamba neni, gogo
vakanditi usatambe naye
anozokufurira kuita zvakashata"

"Vari right gogo vako ziva vanhu


vekutamba navo that's why ndisina
shamwari, shamwari dzangu ndimoms
vangu naElena"
"Ummmm okay kutanga nhasi tava
mabesty ndizvo ka" akadaro

"Okay besty wangu" ndakadaro asi


zvekuita mabesty nemunhu ndaida asi
ndakaona kuti dai ndakaramba
zvaizoita kunga ndamushoora.

Takasvika kumba takutotaura dzimwe


nyaya ndainyatsoona kuti Cindy
aindifarira.Takaenda tese kugarden
naElena futi aisada kusarawo.Mike aiva
busy kudiridza murivo wangu.
"Aaah asi vana Mike vane muriwo
wavo muno here" said Cindy.

"Aiwa kamushandi kangu ako"

"Woow really, asi mkomana uyu anoda


zvinhu akambondipfimba madays
andakagumisira kubva kuno apa
aidanana nesis vaTasha futi" said
Cindy

"Aaah ndozvaari mkomana uyu anoda


kuravira vasikana vese veraini manje
apa ari kuripa mhosva dzake"
Cindy akamhanyira kunotamba
maplaying cards naElena.Ndakaudza
Mike kuti achienda hake asi basa rake
rekupedzisira atitsvagire huni
dzakawanda.Ndakaona
akunyemwerera kuti ndamusunungura
akaenda kumba kwavo akanotora
ngoro achibva aenda kuhuni
nekamupfana kake.

Taitamba hedu ma cards tiri 3 asi


Elena aiva shasha ini ndaitowina
nekubirira.
"Aaah Hilda ari kubirira joker
wandabva kukanda apa ava naHilda sei
aaaah" akadaro Cindy apa ndanga
ndaba joker vakavarairwa ndaida kufire
Elena.

Takazoparadza tikaenda
kumba.Takamukira kuita basa naElena
apa yaiva Sunday yaindisvota munhu
wese aitoenda kuchurch muri
pamutsanyo.Pasina nguva ndakaona
mota pagate mukaburuka Cindy
akauya kundimbundira pamwe chete
naElena.

"I will miss you guys, tichaonana


paholiday"

"Ufambe zvakanaka Cindy" ndakadaro

"Okay besty wangu ndichakusuwa ini"


akadaro achifamba kutoenda kumota
kwake.

"Aah matova nabesty sis zvikundiitira


funny" akadaro Elena achiseka.

"Saka chii chosekesa ipapa iwe hauna


besty here" ndakadaro iye aiva
nabesty wake Faith asi handina
kumbomuseka akuda kuseka
inini.Mhamha vakabuda mumba
vakachena wow she is beautiful like
me.Ndoshaya dad vakarambirei mkadzi
akanaka kudai kungoti varume
vanonetsa.Murume chero akaita
mukadzi akanaka sei ane chimiro
chakanaka haagutsikane ndoshaya
varume vakambosikwa sei chaizvo.

"Hilda ukunditarisirei endai mogeza


ndamira ndimi vasikana"

"Mom you are cute ,zvamakapfeka


zvakakufitai kubva maita kunga
kamusikana" ndakadaro
ndichisekerera mom vangu.

"Aaah Hilda unotaurisa anyway thanks


hako"

Takanogeza tikapedza tichibva taenda


kuchurch musi uyu kwaindinakidza
ameno pamwe inyaya yekuti Gogo
Maviza ndivo vakaparidza.Patakabuda
muchurch takasvika huni dzatova
pamba dzakawandisa.Mhamha
vakashamisika kuti dzabvepi asi
ndakavhara vhara avana
kuzombonetsa nekuti Elena aiva
kuside kwangu aiziva nyaya
yacho.Takaenda kugarden namoms
vakashamisika vachiona garden rangu
richiyevedza kutarisa.

"Wakaita wega izvi here Hilda iiih


Mwari vakuropadze zvauchabata
nemaoko ako mwanangu apa
wandifadza" said moms.

"Thanks mom ,taibatsirana naElena.

Mhamha vakati vachapihwa mbeu


yemaonions necarrots zvandaida
ndakafara.
*CINDRELLA*

Hilda ndakaudzwa nhoroonda yake


naGogo vangu ndizvo zvakaita
ndimufarire ndaiona vanhu vazhinji
vanga vakamuvenga.Kumusha
kwakandindinakidza veduwe Hilda aiva
imwe type aindiudza nyaya
dzonakidza.

Ndakasvika kumba masikati ,mhamha


nadad vanga vaenda kuchurch ndanga
ndine maspare keys.Ndakapinda
ndikadya nekuona TV.Ndakazobatwa
nehope ndakagara pasofa
ndakazopepuka vana muchembere
vadzoka.

"Wasiya vari sei kumusha" said moms

"Vari bhoo hanzi nagogo chisuwo"

"Wandiigira chii kubva kumusha


mwanangu" vakadaro moms

"Nzimbe gore rino ana gogo avana


kuibvisa vandipa nenyimo" ndakadaro
"Hiiii ndipe ndadzisuwa nzimbe idzi"
vakadaro moms vachienda kunotora
nzimbe.

"Ko vari sei mai Hilda" vakadaro dad


asi kamubvunziro kavakaita handina
kukanzwisisa hangu.

"Vari bhoo sei mabvunza mai hilda


chete madiii kuti ari sei Hilda naElena"
ndakadaro

"Cindy enda unobika ndane nzara


wanzwa here" vakadaro dad vangu
ndakaona yaiva way yekundidzinga
kuti ndisavabvunza nezvazvo.

Ndakaenda kunobika rice nesoup


yacho.Pandakapedza ndakaenda
kunogeza ndikaona foni yangu ine
mamissed call from ex wangu
Tinashe.Takarambana naTinashe
mushure mekunge achi demander sex
kwandiri.

Tinashe aiva mwana wefriend


yamhamha.Mai Tina namhamha
vakakura vachitamba vese asi
pandakadanana naTinashe mhamha
pavakazviziv havana kumbopopota
vaiti usarare naye asati akuroora
chete.Tinashe aindibhowera kuti
aizvida ameno pamwe ndizvo zvinoita
vanhu vane mari.Isu family yedu
handingati tiri rich or poor tiri pakati
nepakati Leeroy ndiye aitosimudzira
family yedu kuti tiitewo vanhu
vapamusoro.

*LEEROY*

"Lee wandivengerei mazuvano" said


Tasha.
"Andina kukuvenga but ndiri busy
shaa ndokuona rega ndiende"
ndakadaro Tasha akamira pamberi
pangu akanditarisa mumaziso chaimo.

"Akuna kwaunoenda usina kundipa


zvandikuda"

"Zvauri kuda zvii " ndakadaro

"Aah ndonyara kuzvitaura asi


unozviziva iwewe"
Ndakatoona kuti Tasha akuda kundiisa
pamiedzo ndakamunyepera kuti
ndokuona manheru pane
kwandatumwa nagogo.Haana
kumboita nharo ndakabva ndaenda
kumba kwana Mike.

"Ko wakazodii naElena wakawina


here"

"Haa ndakasiyana nako kachine


dzungu ako" said Mike.

"Ndiperekedze kugomo uko pane


kamuti kandiri kuda kunotora ikoko"
"Kamuti kei ikoko"

"Kanoita urove damba refu kana


uchirara nemusikana"

"Hooo saka mukuda kuita damba refu


nani manje"

"Kamwe kabbe unokaziva handikuudze


zita ungazonditorera" andina kuda
kuzobvunza hangu takarova pasi.

Takasangana nezinyoka rakakura


ndarova tsoka ndibereke ndakananga
kumba.Kubva zuva iri andina
kuzofarira kutambira musango or kuita
sex musango.Mazuva akafamba
ndikadzokera kuEngland ndanga
ndakudiwa kuclub kwangu.

Kwaitondibhowa ndanga ndasuwa


kudenha Hilda.Ndainyatsoona kuti
pane chakashota pandiri chete.Coach
vangu vakandiudza kuti mangwana tiri
kuenda kuBeijing tine marace
ikoko.Takaswera kutraining asi ndanga
ndiri low low ndasuwa Hilda ini kwete
kuti ndomuda asi kungomudenha
hangu.
Zuva remarace rakasvika ground ranga
rakazara vanhu vakawanda vaibva
kunyika dzakasiyana siyana.Hana
yangu yakarova pandakaona Micheal
Ohara yaiva threat yangu last race
randakambomhanya naye ndawina
nemusoro.Race iroro ndakafema
handidi kunyepa
pakafambiwa.Pakatonzi awina
anopihwa mibairo kusvika kune aita
number 3.

100m boys under 23 yakadaidzirwa


tikaenda patrack asi hana yangu
yairova handidi kunyepa.Pfuti yakarira
yekuti vanhu timhanye vakomana
nevasikana dai ndakaziva ndisina
kumhanya hangu .

*WATCH OUT FOR CHAPTER 8*


[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

https://chat.whatsapp.com/B9Xwsng3L
VsEkNBjrpUqSu
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 8*
*#HILDA#*

Zvikoro zvakavharwa Elena anga


akapasa zvake,taiswera tiri kugarden
kwedu kana kuenda kunobata
hove.Leeroy takangonzwa kuti
akadzokera kuEngland ndakatofara
nekuti ainetsa.Cindy akauya pamba
pedu ane kabag takambundirana
nemufaro ,ndaitova ndega paden Elena
anga aenda kwana Faith.

"Ndanga ndakusuwa Hilda uri sei


hako"
"Ndiri nani kukusuwa vari sei vabereki
vako" ndakadaro

"Ndasiya vari bhoo ndakuigira hembe


idzo ndakaona tine body yakada
kuenderana"

"Kuigira ini here"

"Ehe ndaunzira iwewe Hilda pfeka


tione kuti zvakakufita here" said Cindy
achinditambidza rimwe dress.

"Aaah i hate madress nemaskirt ini,


thanks hako but ndoda kuzvitengesa
ndiite mari"

"No no Hilda hembe idzodzo


ndaimbodzipfeka asi pane nyowani
dzandakatenga hangu pfeka kani"
ndakapfeka kamwe kadress kanga
kanaka.Kanga kakareba zvinhu zvidiki
handizvide handide vanhu vaonerere
muviri wangu andizivi Tasha aisanzwa
kunyara nazvo here.

"Woow rakakufita zvautori simbi


ummm, kwete zvako zvaunombopfeka
zviya hauchaoni wachena ndokuti bbe
manje" said Cindy
"Usandinyepere Cindy handizosekwi
here plus handina kujaira kupfeka
zvakadai ini"

"I'm serious Hilda uchisekerwei don't


worry ndichait kuti uzvijaire" akadaro
Cindy.Ndakaedza hembe dzose
ndikaona zvakandifita zvechokwadi
mahips angu anga akuonekawo
nechivakashure asi pana Tasha
ndaisazosvika hangu.Ndakapfeka
rimwe dress ranga rine maruva
tikaenda kumba kwana Cindy aida
kunotora foni yake.Taitofamba
takashamwaridzana zvedu uchitiona
unofunga kuti takatanga kuwirirana
kudhara.Mom naGogo vakaramba
vakanditarisa ko vangatadza nei
ndanga ndakachena.

"NdiHilda here uyo hauchaoni kuti


ndiko kuti musikana manje" said
Gogo.

"Wow my daughter wakachena


zvimashort zvako undipe ndizvipise"
said moms.Cindy akabva abuda
mumba akapfeka dress rakafanana
nerangu tanga takuita kunga matwins.

"Yohwee asi mukuda kunoona


zvikomana kani" said Gogo vachiseka.

"Aaah gogo tikuda kuenda kugrowth


point tokubatai time time" akadaro
Cindy achindibata ruoko.

Taifamba tichizvitora maselfie kusvika


tasangana naTasha ameno
aibvepi.Ndakaona kuti akarwadziwa
kuti ndakamukunda kuchena plus
kuwirirana naCindy kwandaita
kwaimurwadza.

"Iiih wabatsira mweya waMwari apa


Cindy dai asiri iwe mbuya ava vaisafa
vakachena" said Tasha.

"Saka zvauri kutaura zvinei neni shaa"


akadaro Cindy

"Cindy wakufurirwa naHilda kuti


undivenge ka ,dai waiziva kuti Hilda
anoba sei plus kurara nevarume
vevanhu" akadaro Tasha.

"Tasha ndoda kumbokuratidza kuti


ndombonzi ani zvako zvekuti uri
mwana wasabhuku andina basa
nazvo" ndakadaro ndatotsamwa
munhu haangandinyeperi kuti ndorara
nevarume vevanhu.

"Handikutye Hilda unozviti uri bhuru


mira neni tone" akadaro Tasha achiuya
pamberi pangu ndakamuhedha
achibva adonha pasi ndiye
ziii.Akapepuka ndamuitira wet kumeso
akarwadziwa nazvo asi Cindy akaoma
mbabvu nekuseka.

"Aaaah Hilda wandiitira wet ka ndoda


kukutaurira kuna baba vangu mira
uone hako" said Tasha
achichema.Ndoshaya kuti aichemei
ariye anditanga.Anotanga hondo
yaasingagoni kupedza.Baba vake
vakada kutonga nyaya iyi zvisina
musoro ndovafumura masecrets avo.

"Whatever enda unovaudza ishumba


isina mazino iya"

"Hoooo mira uone hako kundiitira wet


iwewe une shuwa"

"Chero ukapopota hazvichachinje


chasara kukumamira mukanwa mira
uone"

Cindy akandidhonza tikatanga


kufamba ndaitoda zvekumupedzera
Tasha kutaura ndokubasa.Muroad
vamwe varume vaiita kunga
vachadambuka mutsipa kuri kutitarisa.

"Asi Hilda wakanyanya paya Tasha


wamupedzera anga akunyara hauna
kuzviona here" akadaro achiseka

"Musikana uyu ndimambara haafunge


anotemba baba vake ndakazviona
hangu"

"Saka hauvatye here baba vake nhai"


"Hapana munhu wandotya Cindy
usambofa wakavhundisirwa nemunhu"

"Okay besty"

Takaenda kumba tikapfuura


nekugarden tikasvika Tasha achibvisa
muriwo wangu wandakasima.Uyu
ndopika jeri ndamuuraya chete.

*LEEROY*
Race rakandiomera ndakaona kuti
speed yangu yanga yadzikira.Tasha
ndiye akandipedza ndozviziva hangu
plus ndanga ndanyanya
kurelaxa.Ndakaita number 3 parace iri
ndakarwadziwa even coach vangu
havana kufara nazvo.Ndakapihwa
mubairo wangu ndichirwadziwa Ohara
ndiye akawina vasikana vatema
nevarungu vakafara vachimusimudza
mudenga vamwe vachimuhaga kuri
kufara kuti asiya legend Leeroy
Maviza.

Mamwe marace andina kuzomapinda


ndakanyepera coach kuti musoro
wakurwadza.Masports akapera
tikadzokera ini ndaigara paimba
yandakatengerwa neclub.Kusara
kwandakaita kwakaita ndinzwe shungu
ndanga ndakutrainer nesimba.

Vasikana vepaVar pandiri vaindirwarira


buh ndanga ndisisina basa navo
ndakuda kumboita nezvesport
yangu.Ndakaona pastatus paCindy
pakazara mapics aHilda naCindy
ndakafara pandakaona
Hilda.Ndaishaya kuti chiii chandaifarira
apa munhu wacho
ndakamuvenga.Ndakafonera Cindy
foni yake ikadairwa nevoice randanga
ndasuwa rakafambisa ropa rangu
ranga ragwamba.

"Hello sorry Cindy aenda kutoilet


mofona tym tym"

"Okay ndakusuwa Hilda"


ndakaerakana ndatodaro.

"Futseki kundisuwa kuita sei ndiri


musikana wako here ini siyana neni
Lee" akadaro Hilda apa kavoice kake
kari sweet.

"Newewo futseki ndakaona mapics ako


wanga wakachena ndiani ari
kukuchenesa" ndakadaro
"Mukomana wangu ndiye ari
kundichenesa ndati siyana neni iwe
kushata kunga munhu ari kuchema"
kakadaro Hilda zvaitaura
ndaisarwadziwa nazvo asi
ndaingonzwa kuda kuramba
ndichinzwa voice rake.

"Amana okay ko mukomana wacho


anonzi ani akuda kunditorera bbe
rangu" ndakadaro ndichida kumunzwa.

"Bbe rako ini here uri kurota handife


ndakadanana newe Lee you are
useless wanzwa hausi murume
pavarume" mashoko aya akandirwadza
Hilda aindibhowa kuti ainyanya
kundidzikisira.

"Fuck you handina basa newe


handiroori tsvina yakaita sewe puu
village girl nxaaa" ndakabva ndatokata
foni yacho.Ndaishaya kuti naCindy
waivirirana sei ndoda kuvaparadzanisa
pandodzoka.

*PETSO*
Ndanga ndakatonyura murudo
naTasha mwana iyeye ndaimuda
nemoyo wese.Handifunge kuti
ndichawana umwe musikana wandoda
saTasha.Ndaiedza nepose kumufadza
iye aindidawo zvandaiona nemeso
angu.Asi problem yaivapo mai vangu
vaisatomuda andizive vanga
vakamuvengereiPavakanzwa kuti
ndaimupa half pay yangu vakapopota
zvekuti zuva racho hakuna kudyiwa
rinopisa.

Ndakatanga kufudza mombe


pandakasiya chikoro ndakaona kuti
apana chandaiziva ndaiva
hutsi.Ndaisada kutambisa mari yamai
vangu mahara.Mai vangu ndivo
vakandichengeta kusvika ndive
zvandiri baba vakashaya ndichiri
mudiki.Tinozvarwa tiri vaviri maJose
anga atova form 1.Ndakasiya chikoro
ndava form 2 ndaita number last
pastream redu vanhu vakandiseka
zvekuti ndanga ndakupihwa
manicknems nekuda
kwekusagona.Kwete kuti ndaitamba
ndaimboedza kuverenga asi zvairamba
ndaiona kunga pfungwa dzangu
dzakabatwa.

Apa ndanga ndakufunga zvekuroora


kuti mhamha vawanewo anovabatsira
mabasa epamba asi ivo vaiti Tasha
handimude pamba pangu.

"Mashoko angu ndiwowo Tasha


andimude pano uchida kuroora Tasha
wotobva pano ndosara naJose
anonditeerera uyu" vakadaro mhamha.

"Asi mhamha hazvisi fair ndoshaya


chamakavengera Tasha"

"Uri kudyiwa mari wakapusa pano


tonwa tea isina shuga uchipa Tasha
mari unopenga ukaona inini mai vako
ndisina mufaro newe apana chinhu
chako chinomboendeka
uchandidemba ndafa iwewe" said
moms.

"Mhamha zvekufa zvapinda papi asi


musikana wangu ndomuda apana
anondiparadzanisa naye" ndakadaro

Ndakabva ndatoenda kumombe


mhamha vaida kundijairira ndakaona
kuda kundivhundisira kana ndafa
kudiii.Apana munhu
anondiparadzanisa nemusikana wako
kwete kuti ndakadyiswa asi taidanana
zvaiyemurwa chero neshiri
dzemusango.
Ndakasangana naTasha aine shamwari
yake vachitsvaga huni.Ndakavabatsira
kutsvaga huni dzavo ndikapedza.

"Tasha ndakuda kukuroora shaaa"

"Uri kumhanyirei Petso handisati


ndaready"

"Okay bbe unozondiudza waready"


ndakadaro ndichibata muviri wake
ndaitoda kurova zvinhu but zvaisaita
panga pane shamwari yake.Vakabva
vatoenda havo.Ini ndakazoenda kumb
zuva rava kudoka ndikasangana
naHilda akachena ndanga ndajaira
kumuon kapfeka mashort.
"Bhoo here kubva waramba
wakanditarisa" said Hilda

"Apana une body yakanaka hako dress


rakakufita" ndakadaro.

"Thanks nditevere pane zvandoda


kukuratidza apo"

Ndakatevera tikakona pasango


ndainzwa voice
rechisikana.Ndakashamisika kuona
ari...........
_drop yo comments_

King Lee & Melly luvs u all

*WATCH OUT FOR CHAPTER 9*


[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

https://chat.whatsapp.com/B9Xwsng3L
VsEkNBjrpUqSu
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 9*

*#CASPER#*
Stella andina kana kumbomubvunza
kuti wanga uripi, ndakatoziva kuti pane
madhiri aitoita chete.Moyo wangu
wanga watova pana Tariro.Stella
kundinyepera kuti ari kunoona mai
vake vari kurwara iye achienda
kunoona zvikomba zvake.Mari
yandakamupa akanodya nezvikomba
zvake uyu ndoda kutomudzinga nguva
ichiripo.

"Tariro aripi wandisina kumboona


kubva nguva yandasvika" akabvunza
Stella.

"Akasiya basa andizive kuti


akaendepi"
"Aaah akadiii kundifonera asi
wakasara uchimushungurudza kani
neku......" akabva atanga kunzwa pain.

Ndakaona kuti nguva yekupona mwana


yanga yasvika ndakamhanya naye
kuchipatara.Akazvara mwana mucalad
kari kamukomana ndakatoti maDNA
test aitwe Stella
asingazive.Ndakarwadziwa ndichiona
kuti haasi mwana wangu.Ndakamusiya
muchipatara ndichibva ndaenda
kumba.Stella akapedza 3 days ari
kuchipatara handina kumbosvikayo
futi akazouya naKundai.Vakasvika
vakagara mudinning vakashamisika
kuona mabag anga arimo ndini
ndakamaisa ndatofunga kudzinga
Stella.

"Casper mabag aani awo" akabvunza


Kundai

"Stella it's over, tora mabag ako aya


uende kumba kwababa vemwana wako
shit hure remunhu" ndakadaro

"Casper uri kuedza kuti chii kana uchiti


ndiende kumba kwababa vemwana"
said Stella
"Mwana uyu haasi wangu ndati enda
kuna baba vake azomboita mucalad
sei" ndakadaro

"Unopenga Casper ungarambira


mkadzi nekuti azvara mucalad sei
pawairara naye waiti achazvara mwana
akaita sei tidzikamire apo" akadaro
Kundai.

"Kundai handisi kutaura newe


wakwana papi panyaya iyi, nyarara
ndikuziva zvandikuita"
"Casper chero zvawaita asi Stella
haabve pano ndichiri mupenyu"
akadaro Kundai.

"Saka ukusapota chihure chaStella


nekuti ishamwari yako unoziva 2weeks
dzapfuura akanyepa achiti ari kumusha
iye aenda kunoona zvikomba zvake"

"Wakanyeperwa iwe anga ari kumba


kwavo mai vake vairwara zveshuwa"
akadaro Kundai.

Zvekuitwa mwana mudiki ndizvo


zvandaisada.Ndakavabudisa panze
vese nemabag aStella ndichibva
ndatolocka gate racho.Kundai
ndoshaya kuti aida shamwari yake
kupfuura ini mwana wamai vake sei
angasapota chihure chemuroora.Baba
Kelvin mkoma vangu vakabva
vasvikawo.

"Uchiona ndauya pano ndafambira kuti


undipe number dzamai Hilda ndoda
kunzwa kuti vana vari sei" vakadaro
baba Kevie

"Ndakagara ndazviona kuti


munodanana namai hilda chete manje
handina number dzavo ndakadzidilita
handichengeti number dzemahure"
ndakadaro

"Ayas iwewe nemupengo hamuna


kusiyana, saka Stella wako haasi hure
here"

"Uyo ndatomudzinga nhasi shuwa


munhu kuda kundichengetesa mwana
asiri wangu zvakandiita mai Hilda"
ndakadaro

"Saka are you serious kuti Hilda


naElena havasi vana vako here Casper
sei vakafanana newe ndaenda ini ziva
rimwe zuva uchavafunga mai Hilda ava
nevana vako asi vanenge
vasingachabatike" vakadaro
vachibuda.

Ndakabhoekana munhu
anganyatsobva kumba kwake kuuya
kutaura zvisina maturo.Vanonditi
handina kukwana asi ndivo vasina
kukwana.Zvekuti ndakafanana naHilda
ndezvawo izvo ndivo vakamitisa mai
Hilda vacho ngavasiyane neni.

Mazuva akafamba ndanga ndakugara


naTariro imba yake yandakamutengera
akaisa maroja.Kundai aifona
achindituka ndakatomuudza kuti chero
zvamaita ndatova nemkadzi umwe
Tariro.Manheru acho pandakabva
kubasa ndakasvika Tariro naKundai
vachirwa.

*#HILDA#*

Tasha akandijairira kubvisa muriwo


wangu wandakasima uyu ndinopika
jeri ndamuuraya chete.Takatanga
kurwa ndingatoti ndini ndaitomurova
nekuti iye akaita mbodza.Cindy ndiye
akabata aona kuti munhu angafire
mumaoko angu.Ini zvevanhu vanoda
zvekundijairira andidi even murume
achandiroora akangondihurira chete
ndomurova kusvika asvipa chitaka
handihurirwi.Ndakatarisa paive
pabviswa muriwo waiva bed 1.

"Hilda zvakwana unomuuraya adzidza


andifunge kuti achazviita futi" said
Cindy.

"Yangu haiperi yakadaro ngaasime


muriwo wangu waabvisa"

"Yawatanga unoipedza here Hilda"


akadaro Tasha achidzikisa skirt yake
yanga yakwira mudenga
pandaimukwapaidza.Handizvitaure kuti
akapfeka nduwe yakadhamba.

"Uchiri kutowana mukana wekutaura


tsvina dzakadai hausati waibva"
ndakadaro ndichimupa mambama.

Ndakamurova mambama kumusana


akazosima muriwo wanga abvisa
nekudiridza achichema apa dzihwa
richibuda mumhino
zvaitosemesa.Cindy ndakamuti
chienda sezvo kwasviba akati handidi
ko ukasara uchirova Tasha
akafa.Tasha takaenda naye kumba
kwavo ndanga ndakamubata hembe
kuti asatiza ndaimudhonza.Ndaida
kunotaura nababa vake vanozviti
Sabhuku.Takasvika vagara pamoto
mkadzi wavo achibika.Tasha
akanodonhera mumakumbo ababa
vake.

"Natasha kwakanaka here kwawauya


uchichema iya ko iri iropa ka waitwa
sei" vakadaro baba vake iye haana
kupindura akaramba achichema.Apa
anga akuchema zvinonzwika pamwe
kwaiva kuyemera vabereki vake.

"Ko ava ndivanani handisi


kunyatsoona zviso zvavo" vakadaro
sabhuku zveshuwa kwanga kwasviba.

"I'm Hilda Mtetwa ndauya kukuudzai


kuti sungirai kambwa kenyu aka
handidi kukaona futi kugarden kwangu
otherwise kanofira mumaoko angu"
ndakadaro ndichivaratidza maoko
angu.

"Futseki mwana wehure wauri kuti


imbwa ndiani heee, vanhu
vanokuregerera iwewe manje ini
ndokugadzira ukaita munhu kwaye
iwewe" vakadaro Mai Tasha vakahakira
nyaya.Zvekuti mwana wehure
zvakandirwadza ndaisada kutukirwa
mai vangu vakaita lucky kuti Cindy
ndiye akandibata ndingadai
ndakavabvisa mazino.Mai ava
vanofunga kuti vakatyiwa nevanhu
neniwo ndovatya here.

"Saka mbuya imi muri kuedza kuti mai


vangu ihure here, tendai Mwari kuti
Cindy ndiye andibata ndingadai
ndakumamisai,tsapfu dzakaomarara
kunga nzondora dzejongwe rechibhoyi
rachembera" ndakadaro Cindy aida
kuseka akabata muromo wake.

"Amana Hilda usadaro kani" akadaro


achindibata muromo.

"Mwana iwewe unoda kumbozviita ani


muno mudunhu,maguta kunyarwa
rwendo rwuno muri kutama chete "
vakadaro Sabhuku.

"Toona kuti anotama ndiani"


ndakadaro

"Unomboziva kuti uri kutaura nani


here,vhiri ratiri kubata iri ndinokudai
kudare ndipo pauchaona kuti
ndakasiyana naTasha waunodheerera"
vakadaro Sabhuku.
Cindy akandibata muromo andina
kupindura ndakasiya ndabanha Tasha
pamuromo tichibva taenda.Kudare
kunotongwa ndoenda handikwate
ndototyira mai vake vane hana inenge
zai isina kusimba.

"Hilda hona pazvasvika haugoni


kudzora hasha dzako sei, watopinzisa
mai vako pama1 zviri obvious
muchadzingwa muno" akadaro Cindy.

"Cindy Cindy kana usina zvekutaura


nyarara kwete kuda kundityisidzira
wanzwa here" ndakadaro.
Haana kupindura akabva anyarara
takasvika pakupesana asina kutaura
chinhu.Ndakasvika mhamha
vakatondimirira vaishaya kuti
ndaivepi.Ndakavatsanangurira
yandapinda nayo asi zvekudaira
Sabhuku andina kuzvitaura.

"Asi Hilda wakadiii kungosiyana nazvo


manje tikadzingwa muno toendepi
nhai" vakadaro mai vangu
vakuchema.Ndakavambundira
ndichivasimbisa kuti musatya apana
zvomboitika.
"Maonero angu sis Hilda apana
chavatadza vagona nekuti Tasha
anoonererwa nekuti baba vake
ndisabhuku anoti apana
zvamunondiita" akadaro Elena.

"Ehe apa wataura chokwadi manje


Sabhuku vakatonga nyaya iyi zvisiri
fair muno munoita hondo chete ooh
ndopika nambuga vangu vari pachuru"
ndakadaro ndichitopika.

Mhamha apana zvavakataura


takanamata tichibva tarara.Ndakarota
gogo vangu vachinditambidza
chamboko ndakabva ndapepuka
kwanga kwatoedza.Ndakashaya kuti
hope idzi dzorevei ndakaudza mhamha
vakati kurota munhu akafa akuna
kunaka.

Takaswera kugarden naElena ,Cindy


haana kuuya maybe anga
akanditsamwira.Takaenda kumba
kwakuda kudoka ndikasiya Elena
achigeza mandiro.Ndakaenda
kuchibhorani ndikana Tasha naMike
vachipinda mune kamwe kasango
ndakatoziva kuti apana chimwe
kunoita sex chete.
Pandakaona Petso pachibhorani
ndakafara ndakaenda naye kuchisango
kuna ana Tasha.Takaonanmashura
chaiwo vaita mutambo wevakuru.Petso
anga asina kutarisira zvakadai
kumusikana wake akarwadziwa
akabudisa musodzi.Tasha wacho anga
akunyara anga angotarisa kuside apa
Mike anga akutodikitira ameno kuti
kutya or ibasa raashanda.

Petso akabva asina chaataura akaenda


kumba achichema ndakaedza
kumusimbisawo asi haana
chaakataura neni.Ndakagara
pachibhorana panga pakawandiwa
zuva iri Tasha akabva asvikawo
achinhuwa kamwe kasmell so.

"Hilda unofunga kuti Petso


achandiramba ka manje wadzva" said
Tasha.

"Chero zvawataura asi ndafara kuti


Petso azvionera ega kuti uri hure"

"Une godo neni ziva kuti manje manje


makutama muno kwandiri hauna win
Hilda ndinokunyudza"said Tasha
achibva aenda apa aitambisa magaro
ndakaona kuti anga asina bhurugwa
mukati.
Ndakachera mvura yangu ndikaenda
kumba ndikasvika mhamha vakarara
vaiti musoro ukurwadza.Ndakatoziva
kuti istress chete naElena
takavavaraidza tichivaudza nyaya
vanga vakutosekawo.Mangwana acho
takamuka tichinzwa kuti Petso akamwa
mushonga wemakonzo.

Drop your comments please


*WATCH OUT FOR CHAPTER 10*
[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

https://chat.whatsapp.com/B9Xwsng3L
VsEkNBjrpUqSu

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 10*

*#MAI HILDA#*

Kubva pandakarambana naCasper


hupenyu hwakatanga kundiomera
nevana vangu.Casper akaramba vana
achiti pamwe havasi vake
ndakarwadziwa nekuti Casper ndiye
murume wandoziva ndakangoti Mwari
ndiye anoziva.Tete Kundai ndivo
nyakuparadza marriage yangu vachida
Casper aroore Stella.Ndakanogara
kumusha pamba pevabereki vangu
ndakapagadzirisa zvekuti
pakuonekerawo.Taingozvarwa tiri
vaviri nasis vangu Nadia ari ku SA .

Nadia akaenda SA kudhara vabereki


vasati vafa haana kuzombodzoka.Even
parufu haana kuuya asi taingonzwa
kuti ari kurara good life ane mari
dzake.Mwana wangu Hilda akatanga
kungochinja zvisinganzwisiseke
ndaishaya kuti chii chaimboitika
paari.Zvekuenda kumombe ndakaedza
kumurambidza akaramba
ndakazomusiyawo akadaro.
Zvese zvaita Hilda zvekunetsana
nevanhu zvaisava zvoga chiri paari
chihombe chete.Ukaedza kutaura naye
anokuudza zvekuti iwewe unoti
haasiye ane mhosva ariye ane
mhosva.Nyaya yekwaSabhuku ndiyo
yainyanya kundidya moyo zviri
obvious kuti kudzingwa muno.Ko
tikadzingwa toendepi nhai hama
dzamudhara namoms vanoti inini
naNadia tisu takaurayisa vabereki
zvinova zvinonyanya
kundirwadza.Kana ivo vabereki vacho
vakafa zvisinganzwisisike kufa same
day.
Ndakaswera ndakarara musoro
waitorwadza I think ndiyo stress
yacho.Elena naHilda vaindivaraidza
vachindiudza nyambo zvekuti
ndakatombosekawo kukanganwa
nhamo.Mwari vakandigonera kundipa
vana vasikana vese vasina husimbe
vanotaura nyaya dzonakidza kana
ndine stress.Ndakamukira kubasa
ndikaudza gogo nyaya yekwaSabhuku.

"Nyaya yako ndainzwa mwanangu


chimboenda naye Hilda kwaChimuti
ambononamatirwa" said gogo

"Avo elder vekuZAOGA ndichatoenda


naye mangwana nekuti zvoita Hilda
hazvisi zvega asi munhu akasairira
mhepo pamwana wangu Mwari ave
naye" ndakadaro

Mangwana acho ndakaenda naHilda


kwaChimuti.Akanamatirwa tichibva
tadzoka Hilda anga akangonyarara.

"Hilda"

"Mhamha"

"Uri kufungei zvawakanyarara ndoziva


uchitaurisa
" ndakadaro

"Apana ko akakuudzai kuti VaChimuti


vanonamatira ndian"

"Asi hauzvizive kuti ndiElder


vekuZAOGA here" ndakadaro

"Saka kuva Elder zvoreva kuti


vanonamatira here mhamha" akadaro
ndakashaya kuti aida kuedza kuti chii.

"Hilda apana chaunoziva


nezvekunamata itonyarara hako,saka
unoti munhu anoitwa Elder
asinganamate here, usade kundinzwa
otherwise unosvika kumba
wakuchema" ndakadaro

"Mhamha munobhowa kuti


munokurumidza kutsamwa, okay
ndanyarara"

Takasvika kumba pasina anotaura


neumwe.Ndakatora bible rangu
ndikanogara kuseri kwemba.Foni
yangu yakarira ndikaona dziri new
number.
"makasimba here mai Hilda"

"ndiri nani ko ndiri kutaurawo nani"

"iyazve hamuchazive murume wanyu


ndiBa Kevie"

"bamukuru muri sei hindava kurova"


ndakadaro

"ndanga ndisisina number dzenyu


ndadziwana ndatambura vari sei vana"
"Vari bhoo muchambovaziva here
vatokura ava ko Casp...." foni yacho
yakabva yadzima.Battery racho ranga
rakadhakwa.Ndakafara kuti atleast Ba
Kevie vambofungawo kundifonera
vachibvunzawo vana vemunin'ina
wavo.

Zuva redare rakasvika Hilda ameno


kuti akamukira kuendepi.NaElena
takaenda tega kudare tashaya Hilda
kuti aendepi ndakafunga kuti pamwe
atiza mhosva dzake.Takasvika
patozara vanhu gogo nasekuru Maviza
vanga vatoripo.
Nyaya yakatanga Hilda asipo,
akazouya hake maziso akatsvuka
kunga abva kuchema.Anga akabata
shamhu muruoko akasvika nekugara
pasi akatonzi ane imwe mhosva
yekunonoka kusvika padare.Iye akati
ndicharipa kana mukatonga zviri fair.

Sabhuku vakatsamwa vakatonga


nedzimwe mhosva dzisina kubvira
dzamboita Hilda.Ndakaona vanga
vakumunyepera andisi kupupurira
mwana wangu asi pane paunoona
wega kuti apa panyepwa.Takatonzi
hamuchakwanise kugara muno
muchibva pano tichakuperekedzai
kunokusiya kumharadzano uko.Hilda
akasimuka akabata shamhu misodzo
ichiyerera.

"Ndaizviziva kuti muchandinyepera


hondo yamatanga iyi munozozvimirira
here" akadaro Hilda akanongedza
Sabhuku neshamhu.

"Uri kuedza kuda kuita sei chaizvo


zvandataura wazvinzwa hatigare
nevaroyi muno ndaramba" vakadaro
Sabhuku.

"Ko ndiani akauraya Chiedza" akadaro


Hilda.Sabhuku naChimuti
vakavhunduka zvandakaona nemeso
angu.

"Mwanasikana zvauri kubvunza


hazvinei naSabhuku,nyaya iyoyo
yakaiswa mumaoko memapurisa
yakatongwa ikapera futi" said Elder
Chimuti.

*#HILDA#*
Sabhuku vakatonga nyaya iyi zvisiri
fair zvimwe zvacho vaiwedzeredza
vachindinyepera ndakaona vaida
kuwana madzingiro
avangatiita.Ndakapinzawo nyaya
yaChiedza yakavavhundusa.

"Chimuti imbonyarara zvako


ndichataurawo, Sabhuku ndati ndiani
akauraya Chiedza" ndakadaro
ndakaona ndarohwa mbama kumusana
naChimuti.Ndakamuzvambaradza
neshamhu yandanga ndakabata
yakava batai batai vanhu vakaedza
kundibata asi ndakazodzikamiswa
namai vangu.
"Chimuti usafunga kuti ndokutya
unoba mari kuchurch kwako uchiitisa
vanhu ndati ndiani akauraya Chiedza
taurai mhani" ndakadaro vakaramba
vakanyarara.

"Sabhuku naChimuti ndati ndiani


akauraya Chiedza " ndakadaro vanhu
vanga vari ziii vaida kunzwa mhinduro
yaibva kuna Sabhuku kana Chimuti.

"Asi nzeve dzavhara here Sabhuku


pindurai zvabvunza Hilda tikuda kuziva
chokwadi, tinoziva muchiti VaKuretu
ndivo vakauraya Chiedza
mukavasungisa" vakadaro Sekuru
Maviza.

"VaKuretu vakapihwa mhosva


yavasina, ameno imhosva here
yavakaita kumhanya kutaura kuna
Sabhuku kuti vaona chitunha
musango" ndakadaro

Mai Kuretu vakatanga kuchema vachiti


ndaizviziva kuti makasungisa murume
wangu asina mhosva.Vanhu vakatanga
kuita noise vamwe vaiti sabhuku
kunyarara vari kuziva chokwadi
ngavarohwe vamwe vachiti Hilda
wacho ngaataure.Sekuru Maviza
vakanyaradza vanhu, Sabhuku wanga
uchambovaziva here vanga vasvava
kunga muboora wa kubholiswa.

"Sabhuku varamba vakanyarara iwewe


chitaura tinzwe kuti akauraya Chiedza
ndiani" vakadaro Sekuru Maviza.

"Sorry mubvunzo iwoyo handikwanise


kuupindura Chimuti naSabhuku
ngavapindure kana varamba haisi
pressure Chiedza achaita revenge
kune vakamuuraya muchaona zvenyu
chokwadi chichabuda" ndakadaro

Pandakataura izvi ndakaona Sabhuku


vakutodikitira.Ndakasiya ndavati isu
apana kwatiri kuenda kusvika mataura
kuti akauraya Chiedza ndiani anenge
anyepa ndiri kumubvisa
makumbo.Ndakatora Elena tichibva
tatoenda kugarden kwedu.

"Sis makanyanya aaah ndabvuma asi


sabhuku naVaChimuti ndivo vakauraya
Chiedza here" akadaro Elena.

"Chokwadi uchachiziva hako very


soon Elena"

Takatanga kudiridza mugarden ndipo


pandakafunga zvandakanzwa kuti
Petso akanwa mushonga.Ndakaenda
kumba kwavo ndikasvika paine
munin'ina wake akandiudza kuti Petso
akaendeswa kuParirenyatwa ndakafara
kuti haana kufa.Asi Petso so kunwira
Tasha mushonga andimushoori anga
anyura murudo.Ndakasangana
naMhamha vaina gogo maybe vanga
vari kubva kudare.

"Hilda saka Sabhuku naChimuti ndivo


vakauraya Chiedza here" vakabvunza
mhamha.

"Mubvunzo iwowo unoda Sabhuku


naChimuti wacho ini andikwanise
kuupindura"

"Mai Hilda zviri pachena izvi Sabhuku


naChimuti vanoziva zvekufa
kwaChiedza apa zvainzi akafa aine
nhumbu" vakadaro gogo.

Ndakamhanya kugarden ndikasvika


Cindy ariko achitamba nhodo naElena.

"Besty ndanga ndakusuwa asi


ndakakutsamwira Hilda" akadaro
Cindy.
"Sorry kani chindiregererawo"
ndakadaro

"Zvapera besty you are crazy ndanzwa


kuti mapedzera vanhu kudare" akadaro
achiseka foni yake yakabva yarira
akandipa hanzi daira uti Cindy haapo.

"Cindy haapo mozofona after 10hours"


ndakadaro ndaishaya kuti ndaitaura
nani.

"Ummmm Hilda ndakusuwa ndafara


kunzwa voice rako" akadaro
ndakashaya kuti ndiani andiziva.

"I'm Lee asi hauchandizive kani"

"Aaah Lee ndakusuwa unouya rini"


ndakaerakana ndataura kudaro
ndakazvituka amana.

"Ummm kana neni shaa next month


ndouya kukuona ndokuigira chii"
akadaro Lee

"ndikujoka handina kukusuwa ini haa


kana usauya hako andina basa newe"
ndakadaro ndichibva ndakata foni asi
ndanga ndakunyara.Asi pandakataura
naLee ndakangonzwa kamufaro
so.Cindy naElena vanga vakundiseka
ndakasekawo.Takaswera tichifara
ndainzwa kuda kutaura naLee futi asi
iiih anozofunga kuti ndomuda regai
ndisiyane nazvo.Takaenda kumba
kwanga kwatosviba.Takutara takanzwa
knock wanikwe ndiSabhuku naChimuti
vakabata mapfumo.Sabhuku
vakandinongedza nepfumo pahuro
vakaenda neni kune kamwe kasango.

Anopona here apo Hilda


*WATCH OUT FOR CHAPTER 11*
[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 11*

*#HILDA#*

Takasvika pasango panga paine


zvimatombo vakandiradzika pasi
vakandinongedza pahuro nepfumo.

"Wakandiita benzi pazere vanhu ndoda


kumbokushandira usati watevera
Chiedza mafiro akaita Chiedza ndiwo
auchangoita futi" vakadaro vachibata
zvidya zvangu vachikwidza kumusoro.

"Kana muchiti muri varume isai


maweapons pasi tipinde maoko"
ndakadaro Chimuti akarasa pfumo
rake apa Sabhuku vanga vabusy kuda
kubvisa pant rangu ndakavapa fight
pamuromo. Ndichisimuka ndikapa
Chimuti bhutsu pakati
pemakumbo.Ndakavakiya
ndikavasungira pamuti nemapote
ndichibva ndatoenda kumba.Ava
ndanga ndatopedza navo hangu
chasara kuti vadure chokwadi pazere
vanhu.
Ndakasvika kumba mhamha naElena
vanga vari busy kunditsvaga
ndakavaudza zvanga zvaitika.

"Hoooo saka vari kuda kukuuraya kuti


usafumura mabasa avo mira
mangwana ndikuenda kwaMambo
chete" vakadaro mhamha.

"Aiwa mhamha chimbomirai


kwaMambo tozoenda izvozvi ndoda
vataure chokwadi pamberi pevanhu"

"Hilda ko vakauya kukuuraya nhai"


"Havandiuraye ndasiya ndakavasunga
ava"

"Maimhoreswa nabamukuru venyu"


said moms.

"Bamukuru vapi ivavo vandisingazive"


akabvunza Elena.

"Elena waiva mudiki handifunge


unovaziva asi Hilda anovaziva Baba
Kevie"
"Hooo vakutida nekuti takura pese apa
vanga varipi havana kusiyana
naCasper" ndakadaro

"Wauri kuti Casper ndiani hee sei


usina hunhu remember baba vakaita
benzi vangori baba vako apana
chochinja respect him" said moms
ndakabva ndatoenda kunorara maitiro
avo kunga vachiri kuda mudhara
ameno.Elena akateverawo akatanga
kutaura nyaya dzotobhowa.

"Sis ndiudzei Lee hamumude here"


"Why wabvunza handimude ini

"Ndakaona maitiro enyu pamaitaura


naye pafoni kuti munomuda"

"Unopenga hauna nyaya rara iwe"


akabva atanga kuseka.Hope dzairamba
kubata ameno chii ndakazobiwa
nehope kwakuda kutoedza
ndikanonoka kumuka futi.Ndakamuka
Elena atopedza basa rose repamba.

Takagara pamushana tichinwa tea


nechimodho.Ndiyo nguva yakasvikawo
Cindy ndikamuti ndiperekedze kumba
kwenyu ndoda kuona sekuru vako.

"Amana kudzoka futi kwandiri kubva


enda wega" akadaro Cindy.Ndakaenda
ndega ndikasvika vakuda kutobuda.

"Sekuru muchiona ndauya kudai


zvinhu azvina kumira zvakanaka
ndaikumbirawo mundiunganidzirewo
vanhu Sabhuku naChimuti ndouya
navo pane zvavari kufana kutaura
kuvanhu" ndakadaro Sekuru havana
kupikisa vaida kunzwavo kuti nyaya
yaChiedza yakambofamba sei.
Vanhu masikati vanga vatoungana
ndakatora sabhuku naChimuti
ndaifamba ndichivadhonza ndanga
ndakavasunga maoko kuti
vasatiza.Vanhu vakashamisika
vachiona izvi ndakavasunungura
tasvika pane vanhu.Vakagara
pazvigaro zvavo vaine kunyara kukuru
pazviso zvavo.

Waingonzwa noise yevanhu vachida


kuziva chaitora nzvimbo kana ari
saTasha anga atoshama muromo.

"Sabhuku naChimuti ndoda mutaure


zvakaitika nezuro" ndakadaro
ndakatosunga face.Vakaramba
vakanyarara kuita sekunge pasina
chavanzwa.

"Hey ndati taurai zvakaitika nezuro"


ndakadaro ndichishevedzera zvekuti
chero munhu ari kure anozvinzwa asi
vakaramba vakanyarara.

"Saka inini ndopenga manje


ndikutaura ndega here mirai
muchaziva kuti ndombonzi ani"
ndakadaro ndichivapa mambama
ndakazoregedza ndabatwa namai
vangu.
"Chiedza unondiuraya kani yohwee"
vakadaro Sabhuku ameno
vaindifananidza naChiedza here.

"Chimuti taura zvakaitika nezuro


Sabhuku vachataurawo mafiro akaita
Chiedza" ndakadaro

"Sabhuku vakauya kunditora vachiti


tiende kunokutora vaida kukuuraya"
akadaro chimuti.

"Chimuti usanyepa hausiwe wakauya


neplan yekuti tiuraye Hilda here ini
ndairamba ndaida kungovadzinga
muno chete" vakadaro Sabhuku.
Zvaitaura varume ava zvakashamisa
vanhu.Vakapopotedzana vakagumisira
vakutorovana.Mukurwa kwavaita
Sabhuku vakatora pfumo vachida
kubaya Chimuti ndakakurumidza
kuribata vasati vakanda.

"Ndofunga kurwa mapedza Sabhuku


chitaurai kuti chiedza akafa sei ndiani
akamuuraya" ndakadaro

"Chiedza Chiedza ndisiyewo kani"


vaitaura vachisimuka kuda kutiza
sabhuku vaiita kunga vari kutsva
vaidikitira apa vanga vatozviitira newet
vakabatwa nevanhu.

Sabhuku vakati Chiedza akauraiwa


nachimuti.Chimuti achinzwa izvi
akatanga kuzviramba achiti Sabhuku
ndivo vakauraya.Pandakazoti
ndakukuurayai mese matadza kutaura
chokwadi ndipo pakabuda dotcom
rese.Sabhuku vakati ndivo naChimuti
vakauraya Chiedza mushure mekunga
vamubata chibharo.Vakaona kuti
kumusiya hazviite vanopinda ma1
nemurume wake aiva musoja.

Pakaita noise padare ipapo pakabuda


nyaya dzakawanda dzasabhuku
naChimuti.Hanzi hakasi kekutanga vari
kubata vanasikana zvibharo vachirara
futi nevakadzi vevanhu.Chimuti
akanziwo kune mari yekuchurch kwavo
yaishaikwa obvious ndiye
akaba.Sekuru Maviza vakati nyaya iyi
vachaisvitsa kwaMambo nhasi chaiye.

Vanhu vakaparadzana vachituka


Sabhuku naChimuti.Vamwe
vainditenda nekundirumbidza vachiti
Mwari vako muhombe akakutungamira
kuti uone mabasa erima aitwa
nevarume ava.
Nyaya yakasvika kwaMambo zvikanzi
yaitongwa mangwana
acho.Takamukira kuendako chiona
mawandiro anga akaita vanhu.Mambo
havana kufara nezvakaitwa naSabhuku
vaivimba naye.Vakapihwa mutongo
unorwadza ndakaona varume vakuru
vakudonhedza misodzi.Pasina nguva
takaona rori puma remasoja
makaburuka masoja 8 nemurume
wachiedza.Ndakashaya kuti anga
afonerwa nani kuti vanhu vakauraya
mkadzi wake vabatwa.Ndakaona
vachitaurirana namambo ndakanzwa
mambo vakuti vakuda kuripwa
nemombe mbiri nevanhu vakaurairwa
vari kufana kuripwavo futi.Vakati vaisa
nyaya iyi kune vemutemo vachireva
masoja ava.

Chimuti naSabhuku vakatorwa


vakanoradzikwa pamberi pepuma riya
vakarara nedumbu.Ndipo pandakaona
kuti ganas harina tsitsi varume
vakarohwa zvainzwisa tsitsi.Vanhu
vakanzi chiendai takasiya ana sabhuku
vachirohwa.

"Hie Hilda i heard kuti ndiwe wakabata


mhondi idzi haaa wakagona ndoda uite
musoja" akadaro Clever aiva murume
waChiedza.

"Handidi kuita musoja ini training


yacho ndakanzwa kuti inorwadza
handizozvi goni"

"Apana zviripo ndinenge ndinewe


umm you are beautiful ndipe # dzako"
akadaro Clever

"Handina foni sorry" ndakadaro


ndakutofamba ndakaona akaramba
akanditarisa ndichifamba.

VaKuretu vakazovhurirwa vakaripwa


nefamily yekwasabhuku nekunyeperwa
kwavakaitwa.Mai Kuretu vakanditenda
nembudzi mbiri.
Rimwe zuva ndichitobva kugarden
ndakaona pamba pedu pakamira
mota.Ndakashaya kuti ndeyani ndanga
ndisati ndamboiona muraini
medu.Ndakanzwa vanhu vaiseka
mudinning zvandakaona vari
Bamukuru Ba Kevie nemkadzi
wavo.Ndakavakwaziso asi havana
kunyatsondisiva vairamba
vakanditarisa.

"Zvaari Hilda nhai hiiii wakura


mwanangu kuita chibbe kudaro"
vakadaro maiguru mai Kevie
vachindimbundira.
"Shuwa ndafara kukuonai vanangu
long time" said bamukuru.

"Hilda kubva afanana nababa vake


kungoti Hilda akazonaka kupfuura
mudhara vake" vakadaro gulez.Vanhu
pavanonditi ndakanaka ndainzwa
kufara mumoyo mangu kuti Tasha ndiri
mberi kwake aindiremera pabody
chete.

Takanodzikisa zvinhu zvanga


zvatengwa ndainzwa kufara zuva
iri.Bamukuru nagulez vakarara taita
nyaya pakafarwa vakatiudza kuti
mudhara ari kuchinjanisa vakadzi
achiti mahure.

*LEEROY*

Ndakapedza degree rangu


ndikadzokera kuZim.Ndakasiya ndaisa
munhu anofana kumbogara pamba
pangu.Club yanga yavhura imwe club
kuZim ndiyo yandainomhanyira saka
zvanga zvakarongeka.Ndanga ndine
mari yakawanda yandakawina
kumaraces ekuKingston ndaida
kusvika nekutenga imba.Vabereki
vangu vakafara vachindiona vaitodada
neni.

"Wadadisa mwanangu ndakuda


muroora manje" vakadaro
mhamha.Ndaibva ndafunga vanhu
vemedia vachindibvunza kuti who is yo
gf ndaivati ndichiri single.Ndaiona
vamwe vasikana vachimirizika mberi
kwangu vachizama malucky avo ndiani
asingadi celebrity.

"Muroora kuita sei mwana anopera


akatadza kumhanya uyu" vakadaro
dad.
"Saka mwana otadza kuroora nekuti
anomhanya here" vakadaro mhamha.

"Lee usatevedza zvamai vako ita


zvinokuitira kana wave nemusikana
mudzidze uone anoita here toda
munhu ane tsika" vakadaro dad
ndakaona moms vafutisa matama.

Ndakaenda kunogeza ndapedza


ndakafonera shamwari yangu Bill
ndakamuti andiitire madhiri
eimba.Ndakafara pandakanzwa achiti
pane murungu ari kutengesa imba
kuMorning side kwaMtare.Ndakapihwa
madetails ake ndikatomubata
parunhare.Takasangana mutown
tikaenda pamba pacho jealous panga
pakanaka nekukura.Ndakatoisa muzita
rangu ndikatenga zvinhu zvekuisa
mumba ndikapedza changa chasara
mukadzi nevana chete.Musi uyu
ndakatorara pamba pangu ndaitenda
Mwari nechipo chavakaisa mandiri
chaita ndisimudzira mhuri
yekwedu.Ndakamukira kuenda
kumusha pane munhu wandanga
ndasuwa.Gogo naSekuru vakafara
vachindiona ndakatourairwa
mbudzi.Cindy ainzi ari kwana Hilda
ndiko kwaanoswera ndakatoziva kuti
vanhu ava vanowirirana.
Ndaiudza gogo nasekuru kalife
kekunze .Cindy akafara achindiona
takanotaura takagara mumota.

" ndanga ndakusuwai bro hembe


dzangu dziripi" akadaro

"Tarisa kuback seat bag regreen


neteddy bear yewhite" ndakadaro

"Hiiiii thanks bro apa mandigonera"

"Ndakutengera hembe dziri


mufashion"
"Ko kateddy bear kered nebag rered
ndezvaani bro"

"Pane someone akandituma kuti


ndimutengere"

"Hooo ndaziva ndezvemuroora wangu"

"Aiwa Cindy nyaya yacho ngaipere"

Takaenda kunogara mukitchen.Cindy


akabatsirana nagogo kubika.Ndakarara
dzeumambo ndakamuka zuva ratobuda
tikanwa tea zvedu.Cindy akati akuenda
kwana Hilda takabva taenda
tose.Takasvika Hilda naElena
vachidziya mushana.Wow jealous
down Hilda anga akagarwa nedress
raanga akapfeka apa aibva
anyatsobuda runako rwese zvaanga
akarukwa ndizvo zvanga zvakashata
chete.Akaramba akanditarisa
ndakusvika pedyo naye akatarisa
pasi.Ndakamumhoresa akadairawo
zvakanaka zvinova
zvakandishamisa.Ndaiona kuti ainyara
hake ndainzwa kumuda mwana uyu.
"Hilda achinja umm abva awedzera
kunaka apa anyararisa ndaisiziva
achitaurisa" ndakadaro.

"Wow serious here haana kunyarara


anotaurisa uyu nhasi anenge ari
kurwara" said Cindy

"Kurwara kupiko kunyara Lee uko


munhu wandanga ndichitaura naye
nguva yapera iyo" akadaro Elena
achiseka.

"Elena ndinokukwatura wanzwa


akuudza kuti ndikunyara Lee ndiani
saka munhu akanyarara imhosva here"
akadaro Hilda ameno voice rake
zvarandiita so anenge
akandishandisira mushonga kuti
ndimude chete.

Ndaitaura nyaya naElena ,Hilda


aibiridzira kunditarisa asi
kamunyarariro kake ndakashaya kuti
kundinyara or kundivenga.Handina
kumbogarisa ndakapa Elena mari
ndichibva ndatoenda kwana
Mike.Ndakasangana naTasha akafara
paakandiona hanzi wagona wauya
ndine nhumbu yako nhasi ndikurara
ndakumba kwenyu.
_Lee haasi kupihwa nhumbu isi yake
here apo_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 12*


[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 12*

*#LEEROY#*

Mashoko aTasha akandirovesa


nehana,ndanga ndisina kutarisira
kunzwa zvakadaro nekuti pandairara
naye ndaishandisa
maprotections.Saka nhumbu yacho
yakabvepi.Apa mazamu acho kuita
kunge drip rapera mvura.Hilda ndiye
munhu wandaida asi ndaishaya kuti
ndotangira papi nekuti type yana Hilda
haidi kusvikira nedzungu.

"Tasha nhumbu yaunayo haisi yangu"

"Lee unoziva ndiwe wandakarara naye


chete ingaita yaani futi, wakundidaro
asi waiti unoda kundiroora wani"
"Ndakakuwana usina kuzara ini usati
wakarara neni chete, go to hell bitch
girl" ndakadaro ndichienda kwana
Mike.

Ndakasvika Mike aripo anga akuda


kubuda obvious aida kunoona zvimoko
ndakaona nesmart raanga
akarova.Takataura pachimafia
ndikamuudzawo nyaya yaTasha.

"Ukureva Tasha wekwaSabhuku here


iwe" akabvunza Mike.
"Ehe iyeye waunoziva asi
wakambodanana naye" pandakadaro
Mike akavhunduka ameno why.

"Aiwa handiwirirane naye saka wakuda


kutomuroora here"

"Handiroori hure ini"

Ndakaenda kumba ndikasvika


nekurara ndanga ndatova
nestress.Nyaya yaTasha
yaitonditemesa musoro ameno
ndichaibhobha sei.Obvious Hilda
akazviziva apana paachandida apa
worse Tasha wacho i enermy
yaHilda.Ndakabuda mumba kwakuda
kudoka ndikaona Tasha naMike
vachipopotedza pavakandiona
vakavhunduka vakabva vanyarara
ndakatoziva kuti vanenge vainditaura
sei vanyarara
pandasvika.Zvakandibhowa andina
kutaura navo ndakapfuurira kuenda
kugarden kwagogo vangu.Hilda
naCindy vakabva vasvikawo ndiri
kudiridza.

"Aaah Lee unotodiridzawo ndaiti uri


kamusalad" akadaro Hilda
achisekerera zvaibva zvabudisa
runako rwake rwese ndaibva ndanzwa
kumuda zvakawedzera.

"Anotadza nei akakurira muno


vakagamira chirungu nezuro uno"
akadaro Cindy nedzungu rake
zvakandibhowa.

"Ana Cindy tibvirei dai ndisirini


waisatochiziva chirungu" ndakadaro
Hilda akabva aseka hake.Ndiyo yaiva
first time yangu kuona Hilda
achisekawo.

"Haaa Lee bhoo here" akadaro Cindy


"Masiyepi mkadzi wangu imi"
ndakadaro

"Mkadzi wako upi" akabvunza Hilda

"My cute Elena" ndakadaro

"Tamusiya kumba uko ari kuverenga"


akadaro Hilda asi aisagona kupedza
nguva akanditarisa mumaziso.

Hilda akabva aenda panga pana Cindy


vaitarisa macarrots.Vanhu ava
vainakirwa waingonzwa kuseka
ndakaona kuti vakapindirana
zvechokwadi.Tasha akasvikawo
akabata changani bag asi anga
akatora direction yekumba
kwedu.Akapinda mugarden akauya
pandiri Hilda naCindy vakaswedera
pedyo vachida kunzwa chaitora
nzvimbo.

"Ndadzingwa kumba nekuda


kwenhumbu yako saka ndauya ndava
mukadzi wako" akadaro achiisa
kachangani bag kake.Ndakatarisa
Hilda ndikaona akanditarisa akarova
serious ari Cindy anga atofutisa
matama zvekutsamwa.
"Lee you are useless mune shuwa
kudanana naTasha asi makachiva
mvura idzi" akadaro achinongedzera
chivakashure chaTasha.

"Young girl mind your own business"


said Tasha achipusha Cindy
akadonhera mudish rine mvura
yandaichera kudiridzisa nayo.Hilda
akauya akasimudza Cindy hembe yake
yanga yatota yese.

"Lee saka ndadonhedzwa wakatarisa


hauite ndoda kuvaudza mhamha na
dad, une shuwa kusiya hure rako iri
rich....." anga akuchema Cindy akabva
apihwa mbama naTasha.
"Hure ndiani futseki" said Tasha
akanongedza Cindy.

"Tasha watadza kundinyarawo here


mira uone kuti ndombonzi ani"
akadaro Hilda achipushira Tasha
mumvura.Cindy akatora madhaga
akazora Tasha mumusoro nekumeso
akamupa mambama.

"Ita sorry kuna Cindy tisati takuita


zvimwe so" said Hilda.

"Tasha ita sorry tione" akadaro Cindy


akadzipa Tasha huro akagara
padumbu pake.

"Hilda naCindy sorry kani


handichazviite" akadaro akuchema
Tasha zvainzwisa tsitsi.Hilda naCindy
vakabva vatorova pasi Tasha anga
akunzwisa tsitsi.

"Lee hanzvadzi yako yandirova


wakanditarisa waratidza kuti haundide
waramba futi nhumbu haisi nyaya
Mwari ave newe asi ziva nhasi ndiro
zuva rangu panyika ndakuenda"
akatora changani bag rake akatanga
kufamba apa anga akazara madhanga
mumusoro nekumeso.Moyo wangu
wakarwadza kumuona ari panguva
yakadai obvious aigona kuzviuraya
ndikapinda pama1.

*HILDA*

Tasha takamugadzira size aida


kuonererwa naLee.Iye Lee kuramba
akatomira hanzvadzi ichirohwa
ndokupusa manje.Tapedza kuwachisa
Tasha ndakaperekedza Cindy kumba
kunochinja hembe.

"Tasha anenge ashandisira Lee


mushonga chete pandarohwa aramba
akamira sei kureva kuti anotoda
Tasha" said Cindy

"ZvaTasha hazvinzwisisike kana aine


nhumbu ndeyaMike" ndakadaro.

"Ehe ndeya Mike akuda kuchengetesa


mkoma vangu mwana asiri wavo nhai
andimude kumba kwedu muroora
wangu ndiwe chete" akadaro achiseka.

"Aaah handisi muroora wenyu ini"


ndakadaro asi ndakafara mumoyo
mangu.

"Ndikutamba kani besty ndinoziva


hauite zvevakomana" akadaro.

Akasvika akachinja hembe tikaenda


kumashops tichiita zvedu makuhwa
tichiwanzirana.Cindy akati
achamboenda kutoilet ndakasara
ndichiona mavideos aLee
achimhanya.Lee aimhanya veduwe
chaiva chipo ndaiona aitosiya
varungu.Ndakaona futi mamwe mapics
achipihwa ma awards napresident
ndipo pandakaona kuti aitorema
mkomana uyu rega Tasha
amushandisire
mushonga.Pandakasimudza musoro
ndakaona imwe mota yakapaka paside
neni mukaburuka Clever aiva murume
waChiedza.

"Hesi Hilda"

"Ndiri bhoo"

"Ndafara ndakuona ndafambira iwewe"


akadaro akanditarisa ndakabva
ndabaya video raLee achimhanya
nemistake.Clever akati ngatione
ndikamuratidza akati mupfana uyu afa
nemari ndakamuona achipihwa award
reBest Young Athlete Of The
Year.Ndakabva ndasekerera hangu
kunga ndini ndairumbidzwa.

"Saka wati wafambira inini pakudii"


ndakabvunza nekuti nyaya
ndaidzidawo ka ini.

"Wakazoti chii nezvandakataura day


riya"

"Zvipi ndakanganwa" ndakadaro

"Ndakati ndoda uite musoja"


"Ndakati handizvikwanise ini training
yacho ndakanzwa kuti inorwadza"
ndakadaro

"Aiwa hairwadzi ndinenge ndinewe"

"Handidi tsvaga umwe"

"Uchachembera uchingozungaira
muvillage muno" akadaro
zvakandibhowa.

"Ndikachembera ndichizungaira zvinei


newe"
"Zvinondirwadza nekuti ndoda uite
mkadzi wangu Hilda ndokuda" akadaro

"Siyana neni wanzwa"

"Ndichadzoka next week ndichitora


answer yangu ndokuda" akabva
aenda aizvinetsawo Clever ndanga
ndisina basa naye.

Cindy akadzoka akati matoilets acho


ari kure.Ndakamuudzawo mashura
andaitirwa naClever akaseka.

"Saka unoda mkomana akaita sei"


akabvunza Cindy

"Ndoda Lee chete ini" ndakaerakana


ndadaro

"Aaah Lee mkoma vangu here Hilda "

"Aaah sorry ndaita mistake ndaida kuti


ndoda mkomana wandine mafeelings
naye iye achindidawo" ndakadaro asi
ndanga ndakunyara ndakashaya kuti
ndambotaura zvaLee sei.Anenge
akandishandisira mushonga chete
munhu wandanga ndisingadi kuona
ndiye wandakurwarira.

Taifamba zvishoma nezvishoma


takaona Petso naMai vake vanenge
vaibva kuHarare vainga
vakaremerwa.Takavabatsira kutakura
zvinhu zvavo.Petso takamusimbisa
tichiti uchawana wako waunoda.Vana
Petso vaitambura zvainzwisa tsitsi asi
chandaidira mai Petso vanga vasina
basa nezvakawanda vaita maricho
vachishandira vana vavo.Petso
akatodzidza kuti musikana haapihwe
mari mumba musina chikafu.
Musi uyu ndakakumbira mhamha
kurara kwana Cindy havana
kuramba.Taifara zuva iri kusvika
pamba pana Gogo panga pane
runyararo.Ndakaona Tasha akasunga
dhuku nekusunga zambia kuzonyepera
kuita muroora ane tsika.NaCindy
apana zvatakataura takabatsirana
kubika tikadya.Tapedza kudya nyaya
ikatanga asi ziso raLee raisabva
pandiri.

"Gogo Tasha ari kudei pano" said


Tasha.
"Bvunza Leeroy anokuudza ini ndiri
kurwadziwa nemusoro ndakutorara
vana mai venyu vari kuuya mangwana"
vakadaro gogo.Sekuru vanga vari zii
zvavo.

"Nhumbu ina Tasha haisi yaLee ari


kungoda mari pana Lee nhumbu
ndeyaMike" akadaro Cindy ndikabva
ndamutsigirawo.

Leeroy akarova table


nehasha.Ndakaona adzipa Tasha
sekuru vake ndivo vakabata.Akabuda
tikanzwa kutinhira kwemota tikaziva
kuti shasha yabuda. Tasha akaenda
kunotora banga akati akuzviuraya
takapinda busy kumuti
asazviuraya.Pasina nguva Lee
akapinda akabata Mike akazara ropa
zvaireva kuti anga amborohwa.

"Nhumbu ndati haisi yaMike ndeyaLee


manje maramba kundinzwisisa
ndakuzviuraya asi zivai ndikafa pano
apagarike Lee haufe wakaroora uchaita
rombe rekupedzisira" akadaro achibva
azvi.....
_Akatozviuraya here_

_nhumbu ndeya Lee zvechokwadi


here_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 13*


[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 13*

*#HILDA#*
Tasha akati achipedza kutaura
mashoko ake akabva asvibaya
nebanga padumbu asi banga harina
kunyura rese.Akadonha pasi achibva
ati ziii ropa rakatanga kubuda
ndakasunga kuti risabuda
rakawanda.Takamusimudza
tikamuendesa kumota yaLee tikaenda
kuclinic tichinamata kuti asafa.

Takasvika zvikanzi nestate yaari


hapana zvatokwanisa kuita endai naye
paMutare pedyo.Lee akarova mota
pasina nguva tanga tasvika paguta
guru reManicaland.Manurse akamutora
vakaenda naye kune imwe room isu
tikanzi timire panze.Lee anga atobata
shaya akagara pachair anga aratidza
kugumirwa.Ini naCindy
taingotenderera panzvimbo one.

Papera kanguva doctor vakabuda


vakataura naLee ndakangonzwa kuti
mupenyu asi hupenyu hwake huri
pama1 asi tichaedzawo
nepatokwanisa.Lee haana kukwanisa
kupindura ndini ndakapindura doctor
nekuvatenda tikabva tatobuda.

"Lee waona mabasa ako kwaatisvitsa


,Tasha akangofa chete tane ngozi
mumusha medu" akadaro Cindy asi
Lee akaramba akanyarara.

"Cindy nguva iyi haisi yekupana


mhosva asi kusimba paminamato"
ndakadaro

"Yeah wataura chokwadi Hilda thanks"


said Lee

"Izvozvi totoenda kumba kwako Lee


ndiko kwatichanorara" akadaro Cindy.

Takasvika pamba pacho panga


pakanaka pakakura zvekuti
ndakatomborasika ndabudira
kutoilet.Dinning yacho yanga yakanaka
makazara mapictures emhuri yana
yavo.Ndakapihwa towel nyowani
nesipo inonhuwira ndikanogeza
nemvura inodziya yaibuda
patap.Ndakanyatsozadza mvura mutub
ndichinakihwa ndaiti kana yakutonhora
ndovhurira inopisa futi.Cindy
akandivigira tracksuit yekupfeka
yeblack ndikapfeka.

Lee anga aenda kunorara yanga iri


stress takadya tega naCindy.Tikatanga
kuona mafilms kusvika takunzwa hope
tikaenda kunorara ndakapihwa knight
dress naCindy.Mangwana acho Cindy
akamukira kuenda kumba kwavo akati
ari kudzoka,Lee akamukirawo
kuchipatara ndakasara ndega
ndichizviuraya nechikafu.Lee akadzoka
achiti no change pana Tasha.

"Saka pamba pano ndepani Lee"


ndakadaro

"Ndepa Leeroy Maviza" akadaro


akanditarisa ndakabva ndatarisa
pasi.Akauya pedyo neni
akandisimudza musoro wangu
tikatarisana akaunza muromo wake
pane wangu.Akatanga kundikisa apa
ini ndaisaziva kuti zvoitwa sei
ndakazoteedzerwo zvaiita wow
zvainaka that was my first kiss.Ndanga
kunzwa muviri wangu kunga uri
kufambwa nemasvosve kuzasi
kwatombobuda tuwet.Takazosiya
tanzwa kufamba kwevanhu mumba.

Ndanyara kusvikirwa naCindy aina mai


vake Lee anenge andishandisira
mushonga chete.Ndakazvituka Lee
anozoona kunga ndakachipa or ndiri
hure kukisana nemunhu
wandisindanane naye.Ndakatarisa pasi
ndainyara kutarisana namai vake.
"Usandinyara hako Hilda ndafara
kuziva kuti ndiwe muroora wangu,Lee
anga asingatidze kuti kwane muroora"
vakadaro Mai Lee vachitofara.Ndakada
kumbovati handisi musikana waLee asi
ndakazvidzora ndaona ziso
randakapihwa naLee.Mai Lee
ndakavamhoresa zvine tsika mukati asi
ndainyara.Vakandirumbidza hanzi apa
Lee wakagona kusarudza musikana.

"Ko ini andimhoreswivo satete here"


said Cindy

"Hesi besty wangu" ndakadaro


"Aaah ndava tete ini andisisiri besty"
akadaro

"Cindy usanetsa muroora wangu"


vakadaro vachiseka mai vake.Mai
vacho vaita kunga mwana mudiki so
zvimwe zvinhu
zvavamboitawo.Vakabva vabuda
naLeeroy kuenda kuchipatara.

"Saka wakatadza kundiudzawo kuti


makudanana asi ndakazviona hangu
nematariso amunoitana so" akadaro
Cindy.
"Hatidanane iwe aah ngaipere nyaya
iyo"

"Asi zvakashata zvaunoita ini zvangu


ndokuudzawo wani haa bhoo Hilda"
akadaro achinyepera kutsamwa.Cindy
aida zvinhu ndakamuudza kuti
hatidanane zvekukisana zvangoitika
nemistake asi haana kuzvitenda.Lee
akasvikawo nemayoghurt apa
ndaimafarira sei.Ndakatanga kumarova
naCindy anga ari pafoni akabva abuda
gate asina kundiudzawo kuti ari
kuendepi.Ndakaona sekunge varonga
dhiri naLee chete.
"Hilda ameno zvandonzwa ndiri pauri
ndokuda ndoda uite muroora wamai
Lee"

"Handidi ini"

"Ndiri serious Hilda"

"Asiri serious ndiani" ndakadaro


ndikaona munhu akauya pedyo neni
akatanga kundikisa ummm
ndakarespondawo aaah Lee
haarambike uyu.
"I love you Hilda"

"I love you too aaah no i don't lov...."


handina kupedza kuzotaura munhu
akundisimudza mudenga nekufara
ndanga ndakunyara.Lee
akanditenderedza pfungwa nezuva
rimwe amana.

Cindy akadzoka nemapaper bag


akazara nyama.Takatanga kugocha
tichifara nemkomana wangu naBesty
Aunt vangu Cindy.
*LEEROY*

Pandakanzwa kuti nhumbu ndeya Mike


ndakarwadziwa.Chakandirwadza
ndechekuti ndotamba naMike iye
anoziva kuti nhumbu ndeyake osiya
Tasha achindinyepera kuti
ndeyangu.Ndakatoona kuti vanga
vazvironga naTasha.Tasha akazvibaya
zvakandirwadza ndakanamata kuti
asafe yaisara iri yanya hombe
kwandiri.

Hupenyu hwake hwanga hwava


patambo ndanga ndisina kuzivisa
hama dzake.Ndakatombochema
nestress vemedia vakazviziva
zvinoswera zvazara pasocial media
ndikanyara.Mhamha vangu vakafarira
Hilda zvekuti ndakabva ndatofunga
kumupfimba.Ndakabuda namhamha
kuenda kuchipatara.

"Asi pana Hilda wakagona ndomufarira


anoita" vakadaro mhamha.

"She is my everything mhamha


ndikakuudzai kuti nemwana uya tanga
tisingaonani munoramba" ndakadaro
ndichiseka.
"Ndakazvinzwa nagogo asi ndakaziva
kuti muchadanana chete"

"Asi dad ameno vakabvuma kuti


ndimuroore" ndakadaro.

Takasvika pasina change


,ndakaperekedza mhamha kumba
ndikasvika mudhara
vasipo.Ndakatenga tuma yoghurt
ndikabaya paden ndakatextira Cindy
kuti andipe nguva naHilda.Haana
kuramba ndakasara ndikakanda shoko
munhu akada kumbopaparika asi
paakabvuma ndakafara.
Cindy akadzoka nenyama tikagocha
tichifara zuva iri.Stress yakatopera
zvekuti ndakatombokanganwa kuti
ndine murwere.Ndakafonerwa nacoach
wangu wekuno kuZim achiti gadzirira
tine maraces kuBulawayo paWhite
City.Vice President achange aripo
ndakabhoekana ndaida
kumbozororawo ini.

Ndakatora zvinhu zvandakatengera


Hilda pandakabva kuEngland.Akada
kumboramba akazobvuma
anyengererwa naCindy.Takazoenda
kunorara asi zuva iri ndainzwa kufara
kupfuura munhu awina lotto

Hope dzakaramba kubata ndichifunga


Hilda, ndaifunga kiss iya
ummm.Ndakamuka ndikaenda
kunogogodza padoor reroom raanga
akarara naCindy.Akauya akavhura
door apa anga akapfeka kanight dress
kaioneka zviri mukati
ndakamuswededza pedyo neni
ndikamupa kiss ndichibata
chivakashure chake.Ndanga
ndakutonzwa kuda panguva iyi akabva
andimisa pandakapinza ruoko mupant
make.

"Hilda ndikushaya hope nekuda kwako


hande unorara muroom mangu"

"Andidi Lee"

"Bbe usadaro apana zvandokuita ini"

"Lee ndati handidi ini" akadaro


akatarisa pasi.Andina kumumanikidza
ndakaona aifunga kuti ndikuda
kuchachura poto.

Hilda ndaida kumutora nemuchato


zvekuti mai vake
vanofarawo.Ndakabatwa nehope
ndikatanga kurota ini naHilda tiri
parwizi asi ini ndaive mhiri kwerwizi
ndaida kuyambuka kuuya kuna Hilda
asi zvaisaita mvura yanga
yakawandisa ndaigona kuyeredzwa
nemvura.Pakaita munhu munhu
akatora Hilda akaenda naye asi andina
kuona face yake aiva mukomana
ndakabva ndadonhera mumvura muya
ndakabva ndapepuka
ndichidikitita.Ndakashaya kuti
dzairevei ndasiyana nadzo.Ndakageza
tikadya tikaenda kuchipatara tikasvika
Tasha asati angomuka ndakatanga
kuzvidya moyo.

"Lee zvawakuita kunga uri kuda


kuchema chii" said Cindy
achindinzwira tsitsi.

"Moyo wangu uri kurwadza kuti Tasha


achasvika akadai rini zvoda hama
dzake dzichizivawo mamiriro akaita
zvinhu" ndakadaro

"Everything will be okay Lee


ngatizviise mumaoko aMwari asi dai
waenda kunotaura nehama dzavo kuti
zvisazonetsa mberi" akadaro Hilda
ndakanzwa kusunguka nemashoko
ake.
Takapinda muroad tikaenda kumba
Cindy naHilda vakatora zvinhu zvavo
tikaenda kumusha.Takasvika zuva rava
kudoka Hilda akaenda kumba
kwavo.Ndaisada kuti aende kure neni
ndaida agare pedyo neni ndiye munhu
aikwanisa kudzikamisa hana
yangu.Sekuru nagogo ndakavaudza
mamiriro anga akaita zvinhu
vakarwadziwa.

"Saka wati baba vake havana kubvira


vambouya kuona murwere kana
kubvunzawo kuti zvakamira sei"
vakabvunza Sekuru.
"Havana maybe vari busy havo"

"Vafonere nditaure navo izvozvi akuda


kufarisa Freddy anoda kusiya mwana
ari panguva yakaoma sei" vakadaro
Sekuru.Ndakavafonera vakataura vese
nasekuru.

Mudhara vakauya mangwana acho


makuseni tanga takugadzirira kuenda
kunotaura nehama dzaTasha.Ndipo
pakasvika mota yemapurisa
mukaburuka mapurisa matatu namai
Tasha.
"Mwana wangu aripi, officer
mukomana akauraya mwana wangu
uyu" vakadaro Mai Tasha
vachindinongedza
vachichema.Ndakashaya kuti
vakaudzwa nani zvavaitaura.Mapurisa
havana kundipa nguva yekutaura
ndakaiswa cheni mumaoko
ndikakandwa mumota.Ndakachema
ndakatarisa gogo vangu vanga
vakuchema vachiedza kutaura
nemapurisa kuti vanzwisise.Mota
yakarohwa tikaenda kukamba misodzi
yakazara pamatama obvious ratova
jeri.Dai Tasha akasafa
akandipupurirawo kuti andina
kumubaya
*WATCH OUT FOR CHAPTER 14*
[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 14*

*#HILDA#*

Lee ndanga ndamuda nemoyo wangu


wese ndainamata kuti
asazondirasisawo.Pandakasvika
kumba Elena akafara ndanga
ndamuvigirawo yoghurt
nepolony.Mhamha vainzi vari
kugarden.

"Thanks sis apa mandigonera,


makachena asi inyowani here hembe
dzamakapfeka" said Elena achidya
polony.

"Ehe inyowani ndakadzitengerwa


naCindy" ndakanyepa ndichidaro
zvaizoita here kuti nditi ndakatengerwa
naLee.

"Ummm mabva mabuda kunaka


kwese" akadaro
"Hauna kukwana Elena tsek"

Ndakatanga kumuudza nyaya asi


zvekuti ndakudanana naLee handina
kutaura nekuti mhamha vaizoswera
vaudzwa.Pasina nguva Cindy
akasvikawo achimhanya akadonhera
pamakumbo pangu akatanga
kuchema.Ndakashaya kuti chava chiii
futi asi Tasha here.Ndakamusiya
apedze shungu.

"Cindy chii chaitika ndiudzewo"


ndakadaro ndichimupukuta misodzi
yake anga akunzwisa tsitsi panguva
iyi.

"Mkoma vangu vasungwa Hilda"


akadaro misodzi ikatanga kubuda
futi.Zvakandinetsa kuti asungwa
nguvai munhu wandasiya
kumba.Cindy akazotsanangura zvese
kuti asungiswa namai Tasha misodzi
yangu yakabuda pamatama.Kuti
pandotanga kupindawo murudo
mkomana wangu osungwa.Mai Tasha
vaida kuedza kuita sei chaizvo avo
ndoda kupedzerana
navo.Ndakasimuka ndakatsamwa
Elena akamira pamberi pangu.
"Sis hakuna kwamunoenda
makatsamwa kudaro" akadaro Elena.

"Elena ndisiye ndoda kunoona mai


Tasha vandiratidze evidence inotaura
kuti Lee ndiye akabaya Tasha"
ndakadaro ndichipukuta misodzi
yangu yanga yakutobuda.

"Aiwa sis Hilda siyanai navo vari


kufungawo kuti ndimi makabaya
Tasha" akadaro Elena.

"Vari kufunga? Vadiii kutanga vauya


vabvunza vakaitika vasati vasungisa
mkomana wangu" ndakadaro

"Aaah Lee mkomana wenyu waaaaal


ko kusandiudzawo" kakadaro Elena
kachisekerera.Cindy anga akabata
shaya ari ziii waiona pfungwa dzaitove
kure.

"Zvauriwe uudze mhamha"

"Handimbovaudze ini asi ndakagara


ndazviona kuti vanhu imimi
muchadanana chete" akadaro.
Mhamha vakauya tikavaudzawo
mamiriro anga akaita zvinhu.Vakati
tinamate mkoma Lee vawanikwe
vasina mhosva veduwee takanamata
zvekuti musi uyu maia vangu
vakatoshamisikawo kuti ndonamata
zvakadai.Vanga vajaira kundiona
ndakaneta paminamato.Ndakarara
naCindy muroom mangu Elena
akanorara namhamha nekuti pakabed
kangu kaisakwana vanhu 3.

Ndaida kuona mai Tasha vane dzungu


rakawandisa rinoda
kupaura.Ndakanzvenga Tasha naCindy
ndikamhanya kuenda kwana Tasha
ndakasvika mai vacho varipo vari
kutaura neumwe mupurisa ainyora
mukabook kake akabata mapicture
aTasha mumaoko.

"Iwe uri kudei pamba pangu" vakadaro


Mai Tasha.

"Mai imimi mune dzungu rakawanisa


rinoda kupaura manzwa" ndakadaro
ndakavanongedza nechigunwe
changu.

"Musikana iwe ndinyarewo sei usina


respect unoti mwana wako here
waunotaura naye uchidai izera ramai
vako iri"akadaro mupurisa uya.
"Vamupurisa ndokumbirawo
munyarare henyu pakatangira nyaya
iyi manga musipo manzwa
musatomboda kundityisidzira zvenyu"
ndakadaro mupurisa uya akatanga
kuseka achinditarisa kubva kutsoka
kusvika kumusoro.

"Ibva pamba pangu hure kufanana


namai svaaaa" vakadaro ini ndanga
ndane hasha vanganditi hure vopedza
votuka mai vangu
zvandisaingade.Mupurisa akabata
ndakuda kutovarova apa kamubatiro
kakandiita achibata mazamo angu
ndakamupusha akanodonha.Mupurisa
uyu ndanga ndakuda kumurovera
kubata zamo rangu chero aita mistake
anozvifira izvozvo.Ndakanotema
shamhu ndidzo nguva dzakasvika
Elena naCindy vachimhanya vasvika
nekunditorera shamhu vachibva
vandibata.Mai Tasha vakatanga
kupopota vachitidzinga asi
ndakabhoekana ndaida kuvagadzira
size asi team rangu rakaramba.

"Ndisiyei mupurisa uyu andibata zamo


rangu ndoda kumurova maoko iwayo"
ndakadaro.
"Haana kubata achida pamwe aita
mistake siyanai nazvo sis
munosungwa munhu wemutemo uyu"
akadaro Elena.

"Andina basa nazvo saka vanhu


vemutemo vanofamba vachibata
vasikana mazamo nekuti vanhu
vemutemo here ini andiitirwe izvozvo"
ndakadaro ndichitopopota mupurisa
uya anga ava ziii ameno kuti kunyara
here or kunditya.

Ndakati tiende kumapurisa kwacho


ndoda kunoona Lee.Takasvika Lee
akazvimba kumeso kuratidza kuti
amborohwa zvakandibata bata
nekundinzwisa hasha.Ndakaenda
kwaiva nemapurisa ndakafuta nehasha
ndaitoda kubvarura munhu.Mupurisa
uya wekundibata zamo akabva
apindawo.

"Right wagona wauya wega une


mhosva musikana iwewe akusina
kwauchaenda" akadaro akarova
serious.

"Ndine mhosva yei vamupurisa" haana


kudaira anga akutaura nevamwe vake.
"Mese muri pano ndoda kubvunza kuti
arova mkomana wangu ndiani"
ndakadaro

"Sister imimi dzungu rakawandisa


nhasi munorara muno toda kuripedza
dzungu" akadaro umwe wavo

"Ooh naMwari nhasi panofa munhu


pano mukasataura arova mukomana
wangu" ndakadaro Elena akauya
kundibata kuti ndisarova vanhu.
Mapurisa vaya vakandibata vakaenda
neni kune imwe room so
vakandivharira imomo.Mupurisa
wekundibata zamo uya akauya
kupindamo ega akauya pandiri akada
kutanga kubata muviri wangu
ndakamurova zvekuti ndakamusiya ati
rabada pasi vamwe vakazouya kubata
dai vakanonoka aifira mumaoko
angu.Ndidzo nguva dzakasvikawo
Clever akataurirana nemapurisa
akanditora tikaenda kumota kwake.

*PETSO*
Kuwanikidza kwandakaita Tasha
akarara naMike
kwakandirwadza.Ndanga
ndisingafungire kuti Tasha angadaro
inga wani zvese zvaida ndaimupa wani
chiii chakanyanya kushoora
pandiri.Ndakaona pasina
chandichararamira panyika ndakanwa
mushonga wemakonzo.Mupfana
wangu akazviona akaudza
moms.Moms vakandipa kamwe kamuti
kandakatsenga ndikatanga
kurutsa.Ndakamhanyiswa kuchipatara
chihombe.Ndakarapwa ndikadzokera
kumba asi ndanga ndisingachadi
kuona chinonzi musikana muhupenyu
hwangu.Mhamha ndakavaudza
zvakaita kuti ndinwe mushonga.

"Kuzviuraya haisiyo solution inopedza


dambudziko mwanangu ndaikuudza
kuti siyana naTasha waiti ndopenga
here unaterera vakuru zvavanenge
vachitaura" vakadaro mai vangu.

"Yaaa ndapanzwa moms"

"Wakatodzidza chidzidzo ipapo ukaita


musikana unondibvunzawo anoita here
tokuudza kana kubvunzawo maelder
ekuchurch"
Takataura namai vangu
vaindisimbisa.Ndakatanga kudzokera
kumombe ndanga ndakufudza
naTendai uyo akasara achimbofudza
ndisipo.Aitaurisa mukomana uyu ndiye
aiita ndisanyanya kufungisisa
nezvaTasha.Nekuti ronda rakasiya
Tasha mumoyo mangu haripori
zvekumhanya.

"Petso wakaona simbi iri pagogo


Maviza here" akadaro Tendai aiva
neruchiva asi aikwata kuendera
vasikana vacho.
"Ndinowanzosvika manheru handisati
ndanyatsokaona hangu"

"Mwana isimbi iyeye shamwari,


ndikadanana netype iya ndomitisa kuti
ndisatorerwa kwakutokanda paden"
akadaro achiseka.

"Hoooo saka wafunga kumuendera


here"

"Zviri pachena handidiwe paya


ndikungotaurawo kuti isimbi, kana
Hilda chanaka wena chiya ndakuchida
ndoda kuchiitira plan" akadaro
"Pana Hilda kanganwa anokuramba
uya haiite zvevakomana"

"Haaa saka handichaendi hangu"

Takataura vasikana vakawanda


handufunge pane akasara anogara
muvillage medu.Takaenda kumba
kuchakachena tikavharira
mombe.Ndakaona umwe musikana
aiuya kwatiri akataura nesu achiti
hanzi mangwana musavhurira
mombe.Ndakabva ndaziva kuti
ndosimbi yairehwa naTendai anga
akanaka hake Cindy ndaimuziva
hangu.

"Okay maita basa" ndakadaro asi hana


yangu yairohwa apa kasmell kaibva
pane mwana uyu kakaita nditenderere
brain.

"Haaa Petso ka ukutendei ipapa byee


murare zvakanaka ndichambopedzisa
kubika" kakadaro kachimhanya
ndakashamisika kuti kanotozivawo zita
rangu.
Ndakaenda kumba Tendai akatanga
kutaurisa futi iri ndogwara tiri pana
Cindy anga akanyarara.Hanzi
zvemabbe handichaite dai kari kare
kangu ndakapedzera kamwana ako.

*THANKS NEMACOMMENTS ENYU


NDIKAMAONA HANGU*

Machapters will try kumakudza from


chapter 16
*WATCH OUT FOR CHAPTER 15*
[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 15*
*#HILDA#*

Clever akamutsa mota yake


atiperekedza kumba ini naCindy tanga
takanyarara,Clever aitaura naElena
chete.Akasvika kumira pagate pedu
ndikabuda mumota ndakananga
mumba,Cindy akaendawo
kwavo.Ndakasvika nekupinda
mugumbezi masikati iwayo apa
kwaipisa sei.Buhera yagara inopisa
kune vanoiziva
vanondipupurira.Ndaiva ndisina
mufaro zuva iri ndaifunga mkomana
wangu.

"Sis everything will be okay


musanyanye kufungisisa" said Elena
akanditarisa aitondinzwirawo tsitsi.

"Elena zvikundirwadza Lee akufira


mhosva yaasingazive" ndakadaro
misodzi ikatanga kubuda.Elena
kakauya kakandimbundira
kachindipukuta misodzi
nekundisimbisa.Mhamha vakapindawo
vakabata shamhu nhatu vakavhara
door.

"Hilda wanga uchitsvagei kwaMai


Tasha heee taura, ndanzwa kuti wasiya
wava tuka une zera navo here ko
mupurisa wawarova aita sei nhasi
ndoda kuchibvisa chidemon chiri pauri
mira uone hako" vakadaro vachikiya
door nekuvhara mawindow.Vakatanga
kundirova avana kundipa nguva
yekutsanangura vanga vakagumbuka
ndakatanga kuridza mhere.

"Itonyarara kuti ziii zvese zvaunoita


vanhu vanofamba vachishoora inini
haukure nei heee nyarara ndisati
ndakupamha futi" vakadaro
vachipopota mhamha ndanga
ndakuchemera pasi pasi,Elena akauya
akandimbundira achindinyararidza.
"Asi mhamha zvamaita hazvisi fair
kut...." haana kupedza kutaura
awaridzwa mbama akatanga
kuikwetsura mhere.Mhamha
vakamurova neshamhu yavo musi uyu
shasha yanga yakagumbuka.

"Iwewe unoda kuzviita mai pano huh,


ndakurovera kuti hauna mukanwa"
vakadaro mhamha vachivhura
mawindow,Elena anga azviunganidza
mucorna.

"Kana muchiona
ndichikushungurudzai torai mabag
ndokupai mari moenda kuna baba
venyu iwewe Hilda hunhu hwako
handiude pano wanzwa" vaipopota
mhamha.

"Sorry mhamha" kakadaro Elena.

Avana kupindura mhamha vakabva


vatobuda .

"Elena unoona chii mhamha


vanondibhowera vanotungamidza
hasha mberi vasati vabvunza zvinenge
zvichiitika" ndakadaro ndichibata
muviri wangu wanga wazvimba
shamhu.

"Zvavaita hazvisi fair sis" said Elena


achibuda kuenda kunogara panze.

Mhamha ndanga ndavatsamwira


nekundirova kwavandiita.Ndakabuda
ndikaenda kugarden kwangu muroad
ndakasangana naClever.Takatanga
kutaura hedu nyaya asi ndaiva ndisina
mufaro kana iye akazviona.

"Asi ndikukubhowa here Hilda


ndikuona hauna mufaro" akabvunza
Clever.
"I'm okay kungoti ndikunzwa musoro"

"Wakatanga rini wanwa mapills here"

"Watanga nhasi ehe ndanwa thanks


chidzoka ndasvika pagarden pedu"
ndakadaro nekuti ndaitoda nguva
yangu ndega.

"Aiwa handidzoki ko ukafenta kuno uri


wega"

"Clever ndati nduda kudiridza chienda


kani"
Clever akaita nharo akatora bucket
akatanga kundidiridzira garden rangu
ndakamira.Apedza ndakamutenda
akandiperekedza kumba akandisiya
pagate aitaura nyambo zvekuti
ndakatombosekawo.Haana kutaura
zvekundipfimba dai akazvitanga
aizoziva kuti ndiri bharanzi.

Mangwana acho takanzwa kuti Lee


akaendeswa kuremand kwaMtare,
mapurisa vakamirira kumuka
kwaTasha ndiye aikwanisa kutaura
zvakaitika kwaari.Cindy akandiratidza
newspaper zvanga zvatozara apa
zvimwe zvekunyepa futi hanzi Lee ava
nenguva achiuraya vanhu hanzi
akaromba.Parimwe page Coach vake
vekuEngland Mr Scott vakataura
speech vachinyaradza family yana
Lee.Kusungwa kwake kwakarwadza
ma athletes vakawanda nemafans ake.

Tasha wacho aingonzi haasati


angomuka mai vake ndiko
kwavakaenda.Ndainamata kuti apone
apupurire Lee kuti haana
mhosva.Masports aifanira kuattenda
Lee kuBulawayo akatoitwa Lee angori
mujeri.Pakatasarudzwa vanonomirira
nyika kuMorroco kuma All Africa
Games.NaClever tanga takuwirirana
semasahwira asi Cindy anga asingadi
kuona Clever hanzi anondibhowa.
Rimwe zuva ndakasangana naPetso
pachibhorani ndichichera mvura aine
shamwari yake Tendai.

"Ana Hilda makudada mazuvano hey"


said Petso.

"Aaah handidade ini, ko Tendai bhoo


here kubva wandicheka neziso
kudaro"ndakadaro ndaona anyanya
kunditarisa kwacho ndakambofunga
kuti zvimwe ndatadza kupfeka
zvakanaka.
"Ah nda..nda...ndi...a..a.a" aikakama
Tendai ,Petso akabvaruka nekuseka
akadonha pasi achiseka misodzi
yakaita kubuda.Ini ndakashayawo kuti
Tendai akatanga kukakama rini pamwe
ndozvanakidza Petso.

"Wakatanga rini kukakama nhai


Tendai" ndakabvunza

"Uyu here haakakami ameno chiii


ipapa" akadaro Petso achiseka
ndakabva ndasekawo maybe
zvakabhowa Tendai akabva atoenda.

"Atsamwa hona akutoenda"


ndakadaro.

"Mufesi uyo anotaurisa haakakame


pamwe atapirirwa newe ndizvo zvaita
akakame" akadaro Petso.

"Kkkkk kuti kudaro here"ndakadaro


tichiparadza ndakatora bucket rangu
ndikaenda kumba.

Ndakasvika ndikaona mota


yabamukuru baKevie yakamira
pachivanze chedu.Ndakafara kuvaona
vakandipa foni yavanga vanditengera
yakanaka inopinda paApp.Ndakaona
masolar zvese zvanga zvatengwa
ndakavatenda nerudo rwavo.Elena
akapihwavo kambudzi akanzi
tichakutengera yepaApp wapedza
kunyora.Bamukuru vakakasira
kudzokera hanzi ndiri kumhanyira
kubasa.Takasara tichifara ndanga
ndisingachade kusiyana nefoni yangu
chero kutoilet ndaienda nayo.Mhamha
vakandipa line ravo netone kuti
ndishandise ivo vanga vane maline
maviri.Cindy akandipa mavideos aLee
zvese nemapictures acho.Ndakatoisa
pic randakatorwa ndiina Cindy
pawallpaper.

"Saka Lee haana lawyer here Cindy"


ndakabvunza.
"Anaro riri out rodzoka next week"

"Hoo ngaadzoke iih ndasuwa Lee ini"


ndakadaro

"Ummm shuwa here makoti mkoma


vangu vanodiwa apa"

Takabva tatorana maselfie foni iya


yakapihwa benzi.Cindy akamukira
kudzokera kwaMtare aida kuenda
kunoona Lee kujeri.Mhamha
ndakavakumbira vakaramba andina
kuzovataudza ndanga ndavatsamwira
kutaura chokwadi.

*LEEROY*

Life is not fair, unotofira chinhu


chausina kuita.Vakawanda vari
mumajeri vari kupikira mhosva
dzavasina kupara nekuda kwekushaya
anomira navo.Chandinoziva Mwari vari
kuona havasi hwai.Mujeri hamuite
guys munorwadza ndakatombofunga
kuzviuraya ndakaona kuti hazvishandi
rega ndimirire kumuka kwaTasha
wacho.Kujeri taishandiswa tichipihwa
chikafu chisingagutse.Hama
neshamwari dzaiuya kundiona kujeri
vaisiya vandisimbisa.

"Ko why usina kuuya naHilda"


ndakadaro ndichitaura naCindy.

"Akarambidzwa namai vake"

"Hooo ko Tasha akupora here"

"Haasati angomuka bro buh don't


worry anopora"
"Okay vaKari vakauya ngavaone
mudhara wangu"ndakadaro VaKari
ndivo lawyer rangu.

Time dzevisit dzakasvika pakupera


tisati tapedza kutaura.Zuva nezuva
ndainamata neroomate yangu
Carick.Anga akapomerwa mhosva
yekunzi akarepa mwana watete
vake.Ainzwisa tsitsi mufesi uyu anga
asina hama yaiuya kumuonawo even
vabereki vake ndakarwadziwa.Chikafu
chandaivigirwa ndaitodya naye
aindisimbisa nguva nenguva.

Hilda ndaimufunga handidi kunyepa


ndaizvituka kuti dai ndakasiya ndarova
poto apana aizotora manje pakadai
panonetsa ndogona kuzobuda
ndonzwa ane mumwe.Zvakafanana
naClever uyo handimuchenesi pane
akandiudza hangu kuti ari kutaimira
bbe rangu.

Rimwe zuva tabva kumunda apa nzara


yacho yaitobvunza mutupo pamwe
chete nezita rako.Takanyimwa chikafu
naCarick hanzi hamuna
kunyatsoshanda zvataitarisira
nhasi.Apa muone zvenyu tisu vanhu
vaishanda hatina kubvira tambozorora
taitira kuti tipedze ndima yatanga
tapihwa.Musi uyu ndakarara
ndichichema nenzara ndakatoona kuti
apana zvandichararamira panyika zviri
nani ndife hangu.

*WATCH OUT FOR CHAPTER 16*

[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:


*HATRED THEN LOVE*
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 16*

*#HILDA#*
Ndaida kuendawo kunoona Lee asi
mhamha vakajamuka ndakatsamwa
zvisingaite.Cindy akandifonera akati
abva kunoona Lee
aitondibvunza.Zvekuita ndopasina asi
chandoziva tichaonana hedu kana
Mwari vachinge vatitendera.

Mhamha vakandituma kumashops


kunotenga shuga.Ndakamhanya
pakudzoka ndikasangana naClever ari
mumota make ini pfungwa dzaitove
kure ndaifunga
Lee.Ndakangomumhoresa ndikaramba
ndichifamba akaburuka mumota
akauya kumira kumberi kwangu.

"Hilda asi ukurwara here chiii


chikukunetsa tell me ndikuona auna
mufaro"said Clever akanditarisa.

"I'm okay apana chiri kunetsa thanks"

"Hooo okay Hilda saka uri sei hako"

Takatanga kutaura tichitofamba


hedu.Akazodzokera takusvika kumba
kwedu.Munhu wandaifunga ndiLee
ndaifunga my first kiss
yakanditenderedza brain.Ndakasvika
moms vatobuda panga pana Elena
aibika madhumbe mukitchen.

"Ko sis asi makudanana naClever


here"

"Whg wadaro unodawo zvinhu iwewe"

"Aah ndaona muchifamba mese"


akadaro ndakashaya kuti anga azviona
sei munhu adzokerera kure.

"Saka vanhu vakafamba vese zvoreva


kuti vakudanana here"

"Aiwa sis ndangobvunzawo"

"He is my friend"

Elena akatanga kuseka ndoshaya kuti


chii chaisekesa.Ndakamusiya akadaro
ndikaenda kuroom kwangu ndikatanga
kutaura naCindy pamatext.Mhamha
vakazouya vachifara ndakashaya kuti
vaifarei kunga munhu awina
lotto.Vakasvika nekundimbundira.

"Mhamha tiudzeiwo tifare tese"


ndakadaro nyaya ndaidzidawo.

"Ndasangana namai Marufu


vataimbopinda navo church vati vari
kuda musikana wechidiki anokwanisa
kutengesa mushop mavo saka ndavati
ndine mwana akagara anoda hake"
"Wooow really hiiiiii thanks mhamha
apa magona mataura navo" ndakadaro
ndichivambundira nemufaro
zvekuvatsamwira ndakazvikanda kure.

"Mangwana wokurumidza kunovaona


vasati vadzokera Harare"

Zuva iri ndakarara uri mufaro


chete.Ndakamuka tikabatsirana basa
repamba naElena.Ndapedza ndakabva
ndatoenda kwamai Marufu.Ndakasvika
vari busy kucleana mota yavo
vakaratidza kundifarira pavakandiona.
"Hilda wagona wauya ndanga
ndakatokumirira zvawatokura nhai
pinda mumota tiende zvizere tasvika
"vakadaro vachikiya madoor epamba
pavo.Vakamutsa mota takanga
kugrowth point kwaive neshop yavo.

"Wava nemakore mangani mwanangu


ko paform 4 wakabuda nemangani"
said mai Marufu.

"I'm 19 yrs,ndakabuda ne10 apana


randakafoira"
"Wow zviya kutokanganwa kuti ndiwe
wanga uri highest nhai" takabva
tatosvika pashop yanga yakanaka iri
hombe pamashops ese
aivapo.Vakatanga kundiratidza zvinhu
zvese zvaivamo nekundiudza zvese
zvandinozofanirwa kuita.Ndikaratidzwa
room randaizorara maitove nekitchen
yacho manga mune stove yemagetsi
ine 2 plates.Mubedroom maiva
nemubhedha zvese newardrope
changu kungouya nehembe chete
chikafu chekubika ndakapihwa
futi.Vakabva vatoenda kumba
kwavo.Ndakarasara ndichiclean
mushop kusvika machena Mai Marufu
vakadzoka vakawana machena
vakandirumbidza takawirirana pay
yacho.

"Ndoda munhu akavimbika Hilda


ndakakudira kuti wakangwara
chanetsa call me pliz" vakadaro
vakasiya vandipa kambudzi vachibva
vatoenda Harare kune family yavo.

Mushop macho manga makazara


nezvinhu vanhu vakatanga kupinda
vamwe vaitenga vamwe vaida kuona
kuti ndiyani avemo.Ndakazovhara zuva
rava kudoka ndikaenda kumba ndaida
kunotora zvinhu zvangu.

Mazuva akafamba Elena aiuya


achindivaraidza dzimwe nguva airara
kuno.Clever akatanga kunetsa
ndakamboedza kumutuka asi aisa
zvitanda munzeve.

"Lee wako haakude ane musikana


wake" said Clever.

"Musikana upi iyeye" ndakabvunza.

Clever akaburitsa foni yake


akandiratidza Lee akakisana neumwe
mucalad girl akanaka
kundipfuura,ndikaona futi mamwe vari
mugumbezi pabed maybe vanga vabva
kurara vese.Ndakarwadziwa saka Lee
aida kungondiitisa nhai or ari kuita
revenge ndakatanga kubuda musodzi.

*LEEROY*

Ndakarara nayo nzara hope dzacho


dzakambobata here, kurara hope
rugare.Kuchingoedza takapihwa
maziporridge apa ngaawande asina
shuga futi ndakarwadziwa taitwa
kunga imbwa ndingatoti imbwa iri nani
zvayo.Ndakadya rakadaro ko taigodii
ndohupenyu hwacho.PaVisit
ndakashamisika kuona Tasha
ndakambofunga kuti ndiri kurota anga
aina Cindy.Asi Cindy akabuda akasara
panze aida kutipa space.

"Hiiii Mwari variko ndafara kukuona


wasimba kudai" ndakadaro

"Hiii serious here Lee kana neni


ndafara kukuona" said Tasha

"Mapurisa wavaudza here zvakaitika


tanga takamirira kumuka kwako"

"Aiwa handisati ndoda kutanga


ndataura newe first"
"Taura tinzwe Tasha"

"You know kuti ndine nhumbu yako


andidi mwana wangu akure asiri pedyo
nababa vake ndoda kuti undiroore
ukabuda muno chete" akadaro
achisekererera kunga aitaura zvisvinu.

"Unopenga Tasha inhumbu yaMike iyo


handikuroori uri kurota"

"Fine kana usingade uchafira muno


mapurisa ndongovaudza kuti ndiwe
wakandibaya nebanga kana uchida
kubuda muno bvuma kundiroora"
akadaro akarova serious.

"Usandidaro Tasha pliz ndokupa hako


mari nemota dzaunoda " ndakadaro
ndapfugama.

"Aiwa ndoda iwewe chete inini ndoda


usimbise mwana wako,Mike ndakarara
naye ndatova nenhumbu yako Lee"
ndakafunga life yemujeri ndikaona
isingaite.Ndakazongobvuma
kumuroora Tasha wacho taizotangira
ipapo.Hilda ndomuda nemoyo wese
zvaizoita sendamushoora kana
ndikaroora Tasha.Pandakabvuma
kumuroora akandikissa pamuromo
chaipo amana zvimwe zvinhu so apa
mukanwa make mainhuwa ndakada
kutomborutsa.

Cindy akabva apindawo akauya patiri


akataura neni zvishoma.

"Tete Cindy ndikufara Lee ati akuda


kundiroora"

"What Lee ichokwadi hre"


"Aiw....e..he ichokwadi" ndaida
kuramba asi ndakaona ziso
randakatariswa naro naTasha.Cindy
akabva amhanya kubuda anga
agumbuka.

"uyo ane godo nesu ngatisiyane naye


hazvititadzise kuroorana" akadaro
Tasha akabva abuda visit time yanga
yapera.Ndakanodya chikafu
chandanga ndavigirwa naCarick.

Ndakazobuditswa zuva rava kudoka


ndakarwadziwa kusiya umwe wangu
Carick misodzi iri
pamatama.Ndakamusimbisa kuti
ndichamira naye kuti aonekwe kuti
haana mhosva.Ndakauya kutorwa
namudhara vanga vana
Tasha.Ndakapinda mumota
ndakanyarara ndaitova nestress
dzaTasha uyo aida kundimanikidza
kuti ndimuroore.

Takasvika kumba mai vangu vakafara


vachindiona vakabudisa tumisodzi
twemufaro.Vanhu vaifara kubuda
kwangu asi Cindy anga ari ziii ari
pafoni pake.Ndakaenda kuroom
kwangu ndaida nguva yangu ndoga
Tasha akateverawo.

"Tasha buda muno wanzwa here"


ndakadaro

"Aaah handidi watova murume wangu"

"Kana uchifunga kuti ndichakuroora


kanganwa zviroto"ndakadaro.

"Hooo ndizvo zvawafunga mira


ndifonera Officer ndivaudze kuti ndiwe
wakandibaya ndiwe une chekuita
nekushaikwa kwevana vaviri
paBuhura apo"akadaro ndakaona kuti
ndaizonyeperwa big time ndikanyura
zvachose.Ndakabva ndaenda
kunogeza iye akauyawo ndakabva
ndatobudamo mubathroom
macho.Ndakagara pabed pangu
ndichifunga kuti ndaizozvifambisa
sei.Tasha akauya akamonera towel apa
zvidya zviri panze aida kundiredza
ndaizviona hangu ndakabuda
ndikaenda kunogara kudinning
kwakagara vamwe.Pasina nguva Tasha
akauyawo anga apfeka zvakanaka
akagara pedyo neni.

"Leeroy musikana uyu ane nhumbu


yako ndanyepa here" said dad.

"Ane nhumbu asi haisi yake


ndeyaMike" akadaro Cindy
"Futseki mhani ndiwe Lee here
ndinokurova iwe" vakadaro mudhara
ndoshaya kuti Cindy anga atadzei.

"iiiih ndisiyerei mwana wangu atadzei"


vakadaro mhamha.

"Chimbonyararai imi, Lee ndati next


week ukunoroora mwana uyu ane
nhumbu yako" vakadaro mudhara
ndaitarisira kuti vachamira neni
vakundimanikidzawo futi.

"Haisi nhumbu yangu iyi"


"Hauna kumborar a naye here"
vakabvunza mudhara.

"Ndakarara naye but taishandi....."

"No but kana wakarara naye zvatopera


zviri obvious ndiwe wakakanganisa
mwana wevanhu next wonoroora
tanzwanana here,uyu ndiye ava
muroora wedu akuna umwe watichada
asiri uyu" vakadaro baba vangu.

"No no hazviite ndichiri kurarama ba


Lee usaomesera mwana siya aroore
munhu waanoda kwete
kumumanikidza" vakadaro mai vangu.

"Ndiwe wava baba pano here iwe,


vhara kamuromo kako" vakadaro
mudhara.

Ndakabva ndatobuda ndikatora mota


ndikaenda kumba kwangu.Kutaura
chokwadi ndanga ndagumbuka
ndanga ndisina kutarisira zvakadai
kuna baba vangu.Ndakagara paloan
pangu ndakabata shaya pasina nguva
mota yamudhara yakapinda
vakaburitsa Tasha.
"Wasiira ani mkadzi wako ndinzwe kuti
wamushungurudza unondiona iwewe"
vakadaro vachibva vatoenda
havo.Tasha anga atova busy kutarisa
imba.

_Ko Hilda achadiii naLee_

_Ko Lee achaita sei naTasha_

_Ko sei baba Lee vari kuti Lee aroore


Tasha_
Plizz drop yo comments

*WATCH OUT FOR CHAPTER 17*


[11/1, 11:00 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 17*

*#HILDA#*

Zvandakaona pafoni paClever


ndakatadza kuzvitambira
ndakambofunga kuti mapictures aya
akaeditwa.Ndakarwadziwa
ndakatofunga kuti Lee ari kuda
kungondiitisa chete.Clever akabva
atoenda hake.
Cindy ndakamufonera ndichimubvunza
nezvemapictures aLee akati
haatozive.Zuva iri ndakaswera ndiri
low low musoro wanga
wakutorwadza.Elena akauya
kandibatsira kutengesa.Ndaiedza
kubvisa Lee mupfungwa dzangu asi
zvairamba.Lee anga atodzika midzi
pamoyo pangu zvekuti kumubvisa
kuchatora mazuva akati wandei.

Mazuva akafamba Cindy akandiudza


kuti Tasha akapora akabuditsa Lee
mujeri ndakafara.Ndakamuti andipe
number dzaLee akati izvozvi haana
foni kuno akadzisiya kumusha
ikoko.Ndaitarisira kuti achauya
kundionawo asi haana ndakambofunga
kuti pamwe ari busy.Cindy ndaiona
kuti pane something chaisada
kundiudza even pandaitaura naye
anenge ari low low.Ndiri ndega pashop
ndaimbosvika nguva yandinodzamisa
pfungwa ndichigaya kuti ndichazovei
mangwana.Mai vangu vakatambura
kuti tirarame kundiendesa kuchikoro
mudhara vari vapenyu vachizvidyira
mari nemahure avo.Ndainzwa kuvenga
baba vangu handifunge kuti ndichifa
ndakavaregerera.Vasikana vezera
rangu vaisada kutambawo neni hanzi
une shavi rechirume rakakugara
ndainzwa kurwadziwa.
"Ko uri kuchemei Hilda" said Clever
kutokangwa kuti misodzi yakutobuda
nekufungisisa.

"Apana" ndakadaro ndichipukuta


misodzi yangu.

"I know uri kufunga Lee siyana naye


haakude uyo"

"Anondida mkomana wangu"

"Ukuzvinyepera akutogara naTasha ari


kuda kutoroora"
"What unonyepa Clever"

"Uchazoona hako chokwadi wega asi


just know ndokuda nemoyo wese
uchazondifunga ndaenda"

"Kufunga iwewe zviroto handife


ndakakuda wanzwa unorwadziwa
naLee ndakazviona hangu" ndakadaro
Clever akabuda asina chaataura
ndakaona kuti anga atsamwa.Chero
kutsamwa kana kusatsamwa handinei
naye ini.Elena kakabva kapindawo
kachifemera padenga kuratidzita kuti
kanga kachimhanya.

"Leeroy akugara naTasha hanzi vari


kuda kuroorana next week ndazvinzwa
kwaMaviza izvozvi" akadaro Elena
akanditarisa.Ndakagara pasi pafloor
ndichirwadziwa chiii Lee chaashora
pandiri zvaakuda kuroora Tasha.Clever
aitaura chokwadi kuti Lee haandide
anoda kunditambisa.Ndakachema
zvainzwisa tsitsi ndakagara pafloor
Elena akanga odemba
chaazvitaurira.Ndakanzwa kuvenga
Cindy zvakanyanya sei asina
kundiudzawo zvakaitika ainyatsoziva
hunhu hwaLee
asingandiudze.Ndakafonera Cindy
ndichimuudza zviri pamoyo pangu.

"hello Hilda ndakusuwa" said Cindy


"kundisuwa kuita sei Cindy ndaisaziva
kuti unonyepera kundida iwe
usingandide"

"besty you know ndokuda wani why


wadaro aaah ukuchemei" said Cindy

"Kutadza kundiudza kuti Lee akugara


naTasha vakuda kutoroora
ndisingazive wakaoma uri mumero
ushamwari hwedu hwapera nhasi
chaiye Mwari ave newe"ndakabva
ndatokata foni ndikatanga kupukuta
misodzo yangu.Cindy akabva afona
ndikadzima foni yacho.Elena anga
akutobudisawo misodzi aindinzwira
tsitsi mwana wamai vangu.

"Sis sorry handifari kuona


muchichema gogo naSekuru Maviza
havadi Tasha ndanzwa vachiti
havamude pano"said Elena
achindipukuta misodzi yangu.

"Mwari ndivo vanoziva Elena


ndadzidza usazofa wakaperera
pamukomana anokuitisa"

" okay sis mkomana akanaka anobva


kuna Mwari"
Ndakambofunga kuda kurwisa Tasha
kuti asiye Lee asi ndakaona kuti
azvibatsire ndini ndinozoitwa
benzi.Lee aizofunga kuti ndiye ega
mukomana panyika pano.Clever
aindida zvandakaona nemeso angu asi
ndini ndaimuvharira panze apana zuva
rimwe raakambondituka chero ini
pandaimutuka airamba ari
zii.Ndakazvituka nekurough
yandomuitira pamwe ndiye wangu
ameno.

Pandakachaisa ndakafunga kuenda


kumba kunoona mai vangu ndanga
ndatovasuwa.Ndakasvika vatoripo
zvavo.
"Ndanga ndakusuwai mom" ndakadaro
ndichivambundira.

"Kana neni my daughter, ko kushop


hakubiwe here zvawauya kuno" said
moms

"Akubiwe ndikudzoka hangu ndanga


ndati ndimbonoona momy vangu"

"Hooo thanks, next week Leeroy ari


kuuya kuroora Tasha wazvinzwa here
Mai Tasha havasi kugona nekufara
tadadirwa kuchibhorani uko" vakadaro
mai vangu vachiseka zvavo misodzi
yangu yakabva yatanga kubuda.
"Ko wakuchemei futi Hilda" vakadaro
mai vangu.

"Andisi kuchema yangobuda yoga


misodzi iyi"

"Hooo next week ndosiya basa


kwaGogo" said moms

"Why mhamha" akabvunza Elena

Mhamha avana kutaura reason


yavasiira basa vakangotivhara vhara
havo.Ndakanyatsoona kuti pane nyaya
chete.Ndichavabvunza hangu kuti chiii
chiri kunetsa hangu tega.Kana pane ari
kuvashungurudza tinopedzerana
chete.

*LEEROY*

Ndakatopererwa nehunhu
hwamudhara, ndakapinda mumba
ndikazvigarira pasofa.Tasha
dzakapinda dzaingotendera rera
mumba ameno kuti aimbonyatsoita sei
aiita kunga munhu anopenga kamuitiro
kaaita kacho.

"Lee imba yako here ummm une


zvinhu zvako iwewe wafa ngemari uri
mwana mudiki"

"Asi Tasha unopenga here iwewe"


ndakadaro ndichiseka.

"Chiii chosekesa apa nhai"

"Apana vanhu vakakurira kumusha


monetsa just know ndoda Hilda chete"
ndakadaro

"Hazvina hazvo basa Mwari ndiye


anoziva asi pano handichabvi patova
pamba pangu" ndakabva ndatoenda
kuroom kwangu.Tasha akateverawo
achidaidzira ndakamuratidz room
raizoshandisa kurara
akaramba.Ndakatoona kuti kupedza
nguva ndakasiyana
nazvo.Ndakamudzidzisa kushandida
stove ndaitya kuurairwa zvinhu
zvangu.Ndapedza ndikamuratidza
bathroom netoilet ndikaenda
kunorara.Ndakasiya ndamuti
paunobika usabike nechangu.Pasina
nguva shasha yakauya ikatanga
kubvisa hembe aifunga kuti
ndichanzwa kuda ndakatarisa kuside.

Ndakamukira kubuda kuenda


kutraining.Ndakabuda nekabag kangu
kanga kane maspike nestarter block.
Ndakaswera ndiri patraining ndoga
zvangu.Ndava nenzara ndakae da
kumba kwana mhamha.Ndakasvika
ndikadya asi mudhara vanga vasipo.

"Ko mudhara vaendepi" ndakabvunza.

"Vari kubva kubuda vaenda kunoona


Casper sahwira wavo" said moms

"Casper ngeupi iyeye wandisingazive"


ndakadaro

"Aaah haumuzive vakatanga


kuwirirana manje manje ava"

"Okay mhamha asi kutaura chokwadi


handina mufaro nekuda kwaTasha why
mudhara vasiri kunzwisisa"

"Don't worry my son ndichataura navo


baba vako"

"Cindy umbomira kuudza Hilda zviri


kuitika ndozomuudza ndega"
ndakadaro

"Ndoda kumuudza iwe uri kuda


kumuitisa unoti handisi kuzviona
here"said Cindy.

"Iwe ndinokurova wanzwa mhamha


batai chimwana chenyu ichi"
ndakadaro

"Hey hey imi vana imi ndinyareiwo Lee


dzikama" said moms vakandibata
ndaida kutomupa mbama Cindy.

"Musiyei mhamha akajaidzwa naTasha


manje ini ndinopedzerana newe"
akadaro Cindy achipindurudza maziso.

"Cindy remember hausi kutaura


nemwana wako ndimkoma vako
respect him dai uri umwe uchitomupa
ma advices kuti obuda sei munyatwa
yaari" said moms.

Tasha akabva apindawo ndakashaya


kuti anga audzwa nani kuti ndiri
kuno.Akagara pasofa pasina
waamhoresa.
"Lee uri kuno thought wanditiza
ka"akadaro Tasha achipinda
mukitchen akabuda akabata loaf
rechingwa nedrink akatanga kudya
takatarisa.

"Tasha zvawaita apa handina


kuzvifarira wasvika ukatadza
kundimhoresa wakupinda mukitchen
kutora zvinhu zvangu without my
permission" said moms vakapora
pora.

"Aaah imi mandiona madii


kundimhoresa ndini muroora pano
ndine right yekudya chandada"
akadaro achinwa drink aizviuraya
nechikafu hake.

"Akuudza kuti ndiwe muroora pano


akakunyepera pamba pano panoti inini
wanzwa ndinokurova ukada
kuonererwa" vakadaro mai vangu.

"Amai mune dzungu rakawandisa


ndikuzviona hangu" akadaro Tasha.

"Hooo uri kuti mai vangu vane dzungu


nhai unozvifira izvozvo" said Cindy
achidira Tasha drink
mumusoro.Vakatanga kurwa Cindy
akazenge akukurirwa mhamha
vakapindirawo kurova Tasha.Mudhara
vakapinda vakabata fight Tasha anga
akufemera padenga.
"Baba Lee chimwana ichi hachina
hunhu ngachibve pano" vakadaro mai
vangu.

"Mai Lee wakuda kuzviita baba pano


ka handidi munhu anokura musoro
siyanai nemwana uyu" vakadaro dad.

"Ndini mai pano ndinewo right


yekutaura zvandoda Ba Lee asi
unorara naTasha here zvauri
kumudefender kudaro" vakadaro
mhamha.

"Iwe ndakuzokurova manje wanzwa


andidi zvisina basa pano" vakadaro
dad.

"Ndirove tione haunyari kumanikidza


mwana kuroora munhu
waasingadi,chimbotarisa ndiwe wega
uri side raTasha vamwe vese
havamude hakusi kumuvenga asi
mabasa ake haiite" vakadaro mai
vangu.Baba vakabva vangobuda vanga
vakurirwa pakutaura.Cindy akabuda
kunodaira foni yake akadzoka
achibudisa musodzi.

"Lee wafara ka Hilda haachadi kutaura


neni because of you, mhamha
ndarwadziwa Hilda ndomufarira ini"
akadaro Cindy ndakanyatsoona kuti
aifarira Hilda nemoyo wese.Cindy
akataura kuti Hilda akuziva zvose zviri
paground.

Ndakarwadziwa ndakashaya kuti


ndiani akamuudza.Mazuva akafamba
ndichigara naTasha asi ndaisataura
naye kana chikafu chake
ndaisabata.Changu kungouya kurara
chete ko ndaigodii hangu.Ndakafunga
kuenda kumba kunotora mafoni angu
nekutaura naHilda.Ndakasvika
ndikaudzwa kuti Hilda akutengeswa
kushop yeKwaMarufu.Ndakaendako
ndikatomuona achitaura naClever
vachiseka pairatidza rudo apa.Hilda
wacho anga awedzera kunaka
ndakabatwa negodo chairo.Hilda
paakandiona akabva atosunga chiso
chake kuratidza kusafarira kuvepo
kwangu.

"Buda muno Lee wanzwa here" said


Hilda.

"Bbe usadaro ndipewo nguva


yekutaura newe"

"It's over Lee handisisiri bbe


wako,sorry ndakudanana naClever"
ndakarwadziwa ndichinzwa mashoko
aya.Ndakaedza kuda kutaura naye
Clever akandibudisa mushop
zvechisimba.Akasiya andipa
chibhakera pamhino achiti stay away
from my girlfriend.Ndakaenda kumota
kwangu ropa richibuda mumhino
ndainzwa kurwadziwa pamoyo.

_Ko Mai Hilda vakuda kusiya basa


neyi_

_ko Lee atotorerwa bbe zveshuwa here


achaita sei_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 18*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 18*
*#LEEROY#*

Kundirova kwakandiita Clever


kwakandirwadza.Ndaida kumudzorera
asi ndakatya kumutsa drama pagrowth
point.Clever anofunga kuti akaita
musoja zvinoshamisira akufamba
achirova vanhu.Ndakambochema ndiri
mumota mangu ndaitadza kuzvibvuma
kuti musikana wangu
atoenda.Ndakaenda kumba
ndakagumbuka kusvika pekupedzisira.

"Ko muzukuru wangu chiii chaitika


hembe zvaine ropa asi warwa"
vakabvunza gogo.

"Aiwa gogo ndadonha kugrowth point"

"Hooo hauna kukuvara here mwana


wemwana wangu" vakabvunza gogo.
Ndakavati handina kukuvara dai
vaiziva kuti moyo wangu ndiwo une
mavanga vaindinzwira
tsitsi.Ndakageza ndikapfeka dzimwe
hembe ndikanogara kuseri
kwemba.Ndakatanga kufunga
kuvengana kwatanga takaitana naHilda
ndakatomboseka hangu.Ndakafunga
zuva ratanga kudanana nezuva
randakavharirwa ndakatanga kubuda
misodzi.Ndakatoona kuti rudo rwangu
naHilda rwaivhiringwa nasatan.

"Lee uri kuchemei chiii inyaya yaTasha


here yakushungurudza" vakabvunza
gogo vakamira namai Hilda.

"Gogo zvinhu azvina kumira mushe


kuside kwangu" gogo vakanditora
vakapinda neni mumba tikagara
mudinning,Mai Hilda vakasara vari
panze.

"Muzukuru ndiudze chii chiri


kukutambudza"
"Gogo you know Tasha nhumbu
yaanayo ndeya Mike haisi yangu why
mudhara vasiri kuda kunzwisisa apa
musikana wandaidanana naye
atondiramba nekuda kwaTasha
ndarwadziwa"ndakadaro ndichinzwisa
tsitsi.

"Nyaya yaTasha inoda kugarira pasi


baba vako varipo naiye Mike wacho
tichaona kuti tozvironga riini, anditodi
kuti uroore Tasha asi iwewe
ndinokutukawo pakuti waimborara
naTasha sei hee zvimwe
unozvitsvagira mhepo wega" vakadaro
gogo vakabva vambonyarara.

"Musikana wako hazvitadze


kumurwadza usamushoora iwewe
waifana kumuudza zviri kuitika kuti
anzwisise" vakadaro gogo

"Gogo zvamataura ndazvinzwa"

"Usaora moyo ndizvo zvinoita


hupenyu ,hupenyu irwendo pamwe
pacho unotosimbiswa nevasingakude"
vakadaro gogo.Vakandisimbisa zvekuti
ndakanga ndava kunzwa zviri nani asi
musoro wanga wakurwadza.

Ndakanorara musoro wacho wanga


wakurwadza worse.Ndakazomutswa
kudya chikafu chemanheru
ndakangodyawo zviya zvekunyara
gogo nasekuru asi kutaura chokwadi
ndanga ndakaguta.Sekuru vakataura
nyaya yaTasha vachiti vachamira neni
tichagara pasi totaura nyaya iyi munhu
wese aripo.Ndakavatenda ndikabva
ndaenda kunorara.Husiku uhwu
handina kurara ndichirwadziwa
nemusoro.Ndakafonera Cindy auya
nekit yangu ine mishonga ndakamuti
asaudza mhamha vangatoita BP.

Ndakamuka zvakakwidza ndainzwa


kupera simba mumuviri wangu apa
musoro waiita kurema.Ndaiita kunga
ndakatakura chinhu chinorema.Cindy
akasvika makuseni akandipa porridge
ndikadya ndikabva ndanzwa
mapills.Ndakatesta tempirature yanga
iri normal isina kukwira
zvakandishamiaa.Ndakanwa mapills
angu ndikabva ndarara ndakabva
kuboorera zvanga zvanyanya izvi.Gogo
na mai Hilda vakamhanya muroom
mangu vakatonzwa tsitsi,Cindy anga
angogara pasi akabata shaya misodzi
ichibuda akanditarisa.

Gogo vakaudza Cindy kuti tiende


kuchipatara asi mai Hilda vakati mirai
titange tanamata mozoenda
henyu.Vanhu vakatanga kunamata mai
Hilda vakambobuda vakauya vakabata
bible ravo vakatanga kunamata
vakaisa bible mumusoro mangu
ndakatanga kudikitira.Vakaramba
vachinamata musoro wangu
wakatanga kudzikira kusvika
watonyarara.Ndakasimuka
ndikapererwa kuti Mai Hilda
muporofita.

"Wana nguva yekupfugama


uchinamata no matter what you are
going through, believe only unokunda
nekuti wakatengwa neropa raJesu
kwete rembudzi" said Mai Hilda.

"Chokwadi amen" vakadaro gogo


naCindy.

"Mkoma Lee I know life is not but God


is faithful munazvose.Satan ari
kukunyepera anoziva kuti une
ramangwana rakanyanyisa
kunaka.Pane vanhu vari kurwadziwa
nekusimuka kwako vari kuti sei
wabudirira kupfuura ivo. Chiri
kurwiswa hausi iwe asi chinhu chiri
chikuru chiri mauri ita saAbraham
asina kudzedzereka pazvipikirwa
zvaMwari" vakadaro mai Hilda.

"Ndivanani vanhu ivavo vari kuda


kundiwisira pasi" ndakabvunza

"Andina kuvaratidzwa hangu,kwauri


kuenda kure uye zvaunazvo mukati
mako vazhinji avana kuzvipihwa saka
satan ari kuronga negodo kuti
akurwise urase moyo iye otora
blessing yacho.Don't looss heart
Leeroy" vakadaro mai Hilda.

"You are the best Mai Hilda thanks hiiii


maita basa ndoshaya kuti ndokutendai
nei" ndakadaro.

"Ipa mbiri kuna Jesu kwete ini tenda


Mwari vari kumusoro ndivo
vakuporesa" vakadaro.Ndakaedza
kuda kuvapa mari yekuvatenda nayo
asi vakairamba hanzi wozoibvisa
kuchurch se offering.Ndozuva rakasiya
mai hilda basa ndakaona gogo vangu
vakarwadziwa.
Kana ini zvakandirwadza ndaisada kuti
vasiye basa.Mai Hilda vakashanda
pamba pagogo zvakanaka hatina
kubvira taita problem navo vanga
vatova ne10years
vachitishandira.Pakaenda Mai Hilda
pamba pakambosara pari ziii munhu
ainyanya kurwadziwa ndigogo vangu.

Ndakabuda ndikambofamba
ndichifurwa nemhepo ndakasangana
naElena achienda kuchibhorani.Elena
aindifarira akandimhoresa
zvakanaka.Ndakamuperekedza
kuchibhorani ndichitaura naye
ndikamuudzawo zvandakapindana
nazvo akaratidza kurwadziwa.Akati
achataura nasis vake kuti vanzwisise
asi ndakafara paakati Hilda akamboita
mazuva achindichemera zvaireva kuti
ndodiwa apa.

*HILDA*

Clever ndakazomubvuma ndaona kuti


aindida asi ini ndanga ndisina
mafeelings naye.Lee paakapinda
mushop ndakanzwa hana yangu
kurova chiona anga akakiya muchena
zvekuti ana Clever havasvike
apa.Pandakafunga kuti ava murime
waTasha
ndakamushaudha.Akazobuditswa
naClever ndikasara ndichifunga kuti
aida chii kwandiri.Clever akadzoka
achisekerera asi ini ndanga ndisisiri
mugood mood.

"Hilda watsamwei ndaona mufesi uyo


ari kukushaisa mufaro muhupenyu
hwako" said Clever.

"Aaaah Clever"

"Ndikutaura chokwadi vanhu


vakaromba ndizvo zvavari pamwe
kwauri anoda kukushandisa chete
siyana naye" akadaro Clever.

"Akaromba ndiani futi"

"Leeroy Maviza"

"Why wati akaromba asi wakaromba


naye here nhai" ndakadaro.

"Hilda vhura meso uwone wega ,Lee


anoenda kubasa here asi ane mari
nezimba nemota dzakawanda mari
inobvepi inouya akagara munovharwa
nezvekumhaya hazvina mari" akadaro
Clever.
"Vanhu vatema tine problem yekuti
munhu akaita mari munomuti
akaromba, you know kuti anomhanya
ndiko kunobva mari who told you kuti
ishoma mari yekumhanya"
ndakabvunza.

"Hilda haundinzwisise hako vamwe


vake ndivo vakandiudza kuti azvina
mari vaitoti Lee akaromba uchazviona
hako mukufamba kwenguva bbe "
akadaro Clever

"Hooo" kutaura chokwadi


ndakabhoekana nekamutauriro
kaClever.

Ndakagara ndazviona hangu kuti


Clever anenge anorwadziwa naLee
pese anenge achinyomba Lee.Akabva
aenda hanzi ndichauya ndichikuona
next week.Pasina nguva Elena
akapindawo achifara ndakatoziva kuti
pane nyaya yandiri kuda kuudzwa
chete.

"Mhamha vasiya basa vaenda kugomo


kunonamata hanzi ndodzoka
mangwana" akadaro Elena.
"Hiiiii vaenda nani kugomo uko kune
zvikara zvesango vadii kungonamata
vari pamba" ndakadaro.

"Vaenda namai Pastor neumwe


makadzi"

"Okay ndazvinzwa"

"Sis nhasi ndataura naLee andiudza


zvese zviri kuitika"

"Hooo asi ndizvo zvauri kufarira here"


ndakabvunza.
Elena akatsanangura zvese zvaiti
audzwa naLee ndakaona kunga
masasi.Lee aida kushandisa Elena kuti
ndimuregerere manje ipapo adzva
hatitambi tichidaro.

"Enda unoudza munhu wako kuti go


to hell"

"Sis musadaro dai maiziva kuti Lee


anokudai maisadaro ini Clever
handimufarire zvachose ameno
zvaangori so" said Elena.Cindy akabva
apindawo takaramba takatarisana
pasina ataura neumwe.Akatanga
kutaura naElena.Akandimhoresa
ndikaramba ndakanyarara ndaitoona
kuti anenge atumwa naLee chete.

"Sis Hilda asi chii nhai why


muchivenga Cindy atadzei
pamakapfimbana naLee anga aripo
here musapinze vanhu mukuvengana
kwenyu naLee" said Tasha mwana
aitaurisa aitoita kunga ndiye mukuru
kwandiri.

"Futseki ngakanyarare aka unozivei


mind your own business" ndakadaro

"Chero mukandituka asi chokwadi


machinzwa"ndakabva ndakapa
mucheka wembama aionererwa akabva
abuda achichema.
"Hilda dai warova hako inini kana
usingachadi kundiona no problem
ndakuenda asi just know kuti mkoma
vangu vanokuda" akadaro achifamba
kubuda ndakaona kuti anga asina
mufaro pachiso chake.Ndakanzwa
kurwadziwa pamoyo
ndakamumhanyira ndikamumbundira
tikaramba takadaro.

Takambopedza kanguva
takambundirana tikabva tapinda
mushop mangu tikagara pamabench
aivemo.Akatanga kunditaurira zvese
zvaiitika zvakafanana nezvambotaurwa
naElena.Ndakabvuma kuti chaive
chokwadi ndakanzwa
kurwadziwa.Ndakazvituka kuti sei
ndakatungamidza hasha mberi ndisina
kupawo Lee nguva yekutsanangura.

Clever ndiye aisvibisa zita raLee


kwandiri achiita kuti ndivenge
mkomana wangu.Manje pationana
panomera uswa hwakaoma chete
zvake zvekuti musoja i don't
care.Tasha ndiye umwe wandaida
kuzopa chidzidzo chaasingafi
akakanganwa muhupenyu hwake.

"Asi mai vako muporofita here


vanamatira Lee akapora" akabvunza.
"Aaah Lee airwara nei"

"Airwara nemusoro kubva nezuro


apora paanamatirwa namoms vako
vasiya vamusimbisa ,Hilda your
mother is so sweet" said Cindy.

"Kkkkk anx mom vangu vakunamatira


zvikundiitira funny"

Ndakachaisa ndikavhara shop


yangu.Ndakatanga kuperekedza Cindy
kumba kwavo nekuti kwanga
kwakusviba.Ndakamusiira pagate pavo
ndikabva ndadzoka ndaida kunotora
Elena nekuti aive vega ndozviziva kuti
kanga kakanditsamwira kamupfana
kangu.Ndakasangana naLee muroad
takangomira takatarisana ndikabva
ndatanga kusekerera apa ndainyara
sei.Ndakaswedera pedyo naye.

"Sorry Lee" ndakadaro ndakamutarisa


mumaziso iye anga akandirebera
kwete zvakanyanya.

Akandibata muwaist akandiswededza


pedyo naye tikatanga
kukisana.Zvandakanzwa ipapo
azvitsanangurike regai Tasha arambire
pana Lee.Takazosiya tanzwa kukusora
kumashure kwedu takanyara nekuti
taive pakati peroad yaifamba
vanhu.Ndakaona vari mai Tasha

_ko mai Tasha vachaita sei apo_

_Clever achaita sei pachaona Hilda


adzokerana naLee_

_ko Lee akaromba zveshuwa here_

Zvese izvo tozviwana munext chapter

*ndinokutendai vari kutsigira book


redu ndinoti muitirwe zvakanaka
naMwari ndimi motipa simba*
*WATCH OUT FOR CHAPTER 19*
[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 19*

*#HILDA#*

Mai Tasha vachindiona vakatanga


kundituka vachiti ndakutorera mwana
wavo murume wake.Lee ndiye
akanditswinya kuti ndinyarare tingadai
takapedzerana.Vakanyara vega vaona
pasina avadaira vakabva vaenda
zvavo.Lee akandiperekedza kumba
achindiudza mararamiro akaita kujeri
kusvika azobuda.Ndakaona anga ane
shungu yekuda kubatsirawo shamwari
yake yaakasiyako.

Takasvika pagate pedu akati akudzoka


ndakamuti handidi kuti uende
ngatipinde mhamha avapo.Akada
kumboramba akazobvuma hake
takapinda mukitchen manga makagara
Elena ega.Ndakapa Lee chair yekuti
agarire Elena akaenda kunogara
paside naLee.

"Elena sorry I know wakanditsamwira"


ndakadaro

"Asi sis mandibhowa kutaura


chokwadi"
"Ndakuzvituka kuti ndazviitirei sorry
kani" ndakadaro

"Ko maitana sei ,waitei mkadzi wangu"


akadaro Lee achindibvunza.

"Sis Hilda vandirova pasina


zvandavaita"

"Hilda waroverei mkadzi wangu i don't


like it muite sorry" said Lee iko Elena
kacho kuzofara
kani.Kakazondiregerera hako.

Lee haana kugarisa akabva aenda


ndakamuperekedza kusvika
pagate.Takasvodana pagate ipapo
takazosiyana taona kuti tingaite
zvimwe.Ndakadzoka mumba ndichifara
ndakasvika kumbundira Elena anga
akudya.

Ndikunzwa kufara ini Lee ndomudisisa


kupfuura zvinhu zvese panyika pano"
ndakadaro

"Saka moda Lee kupfuura ini


namhamha hre sis"

"Aaah ndambodaro here Elena "

"Ngaipere ndafara hangu kuti


madzokerana"
"Ko mhamha vakatanga riini
kunamatira zvikundiitira funny"

"Mhamha handingavarambiri
nemanamatiro avanoita avo
ndakazoramba kurara navo ndaona
vanomuka pakati peusiku kunamata
vanenge vachindiitira noise
ndichitapirirwa nehope" said Elena.

"Unopenga iwewe ndakutya kuti


vanozozvibata paMweya kuti nd ane
mukomana"

"Izvo havazvibate vakadii kuzvibata


madays amakatanga kudanana"
Ndakapakura chikafu ndikatanga
kudya, takanorara tichitaura nyaya
nemupfana wangu.Ndakazomuka zuva
ratobuda ndikaenda kushop
kwangu.Ndakasbika nditsvaira tsvaira
nekumukorobha mukaita smart.

Lee ndaitaura naye pafoni


ndakamuudza kuti ndiri kushop
akatouya.Aindivaraidza ndichiita basa
ndiri pana Lee ndainzwa kufara.

"Bbe saka uchibatsira sei shamwari


yako iya iri kujeri" ndakabvunza

"Hooo Carick ndichaona kuti ndoita sei


,ndoda abuda ndikunyatsoona akufira
mhosva isiri yake"

"Lee une moyo wakanaka vashoma


vakadaro kwete zvana Clever zveshow
off"

"Asi Clever ane show off here but


akandibhowa day riya akandirova"

"Akakurova hiii sorry daddy Lee yaiva


mhosva yangu ndatomuvenga ndiye
aiita kuti ndikuvenge anokuti
wakaromba pese anenge
achikunyomba"
"Munhu ngaashande abudirire kwete
kuda kuzorwadziwa nekubudirira
kwevamwe iwe wakagara,Munhu
akabudirira kupfuura vanhu
vakawanda anonzi akaromba asi
munhu akatambura zvinonzwisa tsitsi
zvinonzi ane husimbe chandakaona
ukaterera zvotaura vanhu apana
kwaunosvika munhu mutema ari
pakukuwisira pasi" said Lee akataura
chokwadi.

Lee akatenga madrink nemabhisvo


mushop mangu tikadya tese asi ini
ndainyara kudya akanditarisa.Zuva
rava kudoka ndavhara shop tikatanga
kufamba naLee tichitaura nyaya.
"Saka Tasha tichaita sei nhai daddy
anofana kuenda kumuridzi wenhumbu"

"Pachaitwa meeting munhu wese


achange aripo naMike wacho"

"Okay darling"

Takaparadzana ndikaenda kumba


ndikasvika moms varipo.Ndakafara
pandakavaona ndakanogara paside
navo.

"Hilda ndafunga kuita zvemabhurera


mari ndinayo hangu" said moms
"Mhamha mabhurera anonetsa ayo
everytime anenge achida kutariswa
zvine profit here"

"Apana chonetsa Hilda ehe profit iripo


hombe"

"Kuno kune mbavha ndotya kuti


tozobirwa pano"

"NaMwari apana zvinhu zvangu


zvobiwa"

"Mhamha sei masiya basa"


"Ndakuda kuzviitirawo zvinhu zvangu
ndega mwanangu, nhasi uri kutaurisa"
vakadaro mai vangu.

Takatanga kutaura nyaya vakati


kugomo kwaikomborera
zvisingaite.Ndaitya kuti vachabata kuti
ndine mkomana ndikauraiwa mai
vangu ndovaziva.

*LEEROY*

Hilda anga anyatsopinda muropa


mangu ndaisada kumushaya.Ndaigaya
plan yekuda kumuroora asi ndaiona
kunga ndamumhanyira ndanga
ndakutya kubvutirwa naClever uyo
anondinyomba.Zuva randakaswera
naHilda rakandifadza tichiudzana
malove tings.Takaparadzana naHilda
ndakarwadziwa kuti aenda asina
kundipa kiss, malips ake aiita kunga
akadirwa shuga ndainzwa kuda
kuramba ndichimukisa nguva dzese.

Ndakaenda kumba ndikasvika gogo


vachitaura naCindy.Vakandiudza kuti
vana muchembere naTasha vaiuya
mangwana.Ndakanzwa kufara Hilda
ndakatomuudza pafoni asara ndiMike.
Pakasvika vana muchembere ndanga
ndakatogara seri kwemba ndichitaura
naHilda ndakazongoona Tasha agara
paside pangu.Aifara aifunga kuti tikuda
kuronga zvekumuroora.Ndakasimuka
ndikanogara mumba manga mune
vamwe Tasha akagarawo paside
neni.Ndakabuda ndikaenda kumba
kwana Mike ndikanzwa kuti akabuda
nezuro haana kudzoka hatizive kut
aripi.Ndakadzoka kumba kuti ndiudze
Hilda auya azviite ndakasiyana nazvo.

"Nyaya iri pano idiki asi inoita kunga


hombe inoda kungonzwisa"vakadaro
Sekuru vangu.

"Baba vangu nyaya iyi iri pachena


ndofunga munonzwisisa zvandiri
kutaura zvezvamataura kuti zvoda
kunzwisisa Natasha uyu ane nhumbu
yaLee hanty vakarara vese ,Lee
pandakamubvunza kuti wakarara naye
here akabvuma saka ndinoona sekuti
apana nyaya iripo apa" vakadaro
mudhara ndakabhoekana anoita kunga
akatengwa naTasha.

"Hooo zvawataura BaLee ndazvinzwa


asi ndoda kutanga kubvunza varidzi
venyaya ndizvinzwirewo kuti
ichokwadi here chauri kutaura"
vakadaro sekuru.

"Leeroy naTasha maidanana here"


vakabvunza sekuru.
"Aiwa ndaisa danana naye ini"
ndakadaro.

"Aah Lee unopenga manje ndinawo


mamessages ako awandiudza kuti
unondida uchiti ndonaka" akadaro
Tasha achisimuka kuratidza sekuru
mamessages acho.Munoziva
ndakapera simba ndakatoona kuti
panyaya iyi andipabude.

"Mazviona ka zvandataura kuti vaviri


ava vanozivana chandakaona apa Lee
haasi kuda kuroora Tasha chete manje
achamuroora chete by force" vakadaro
Dad.
"Unopenga Freddy haumanikidze
mwana kuroora munhu waasingade"
said gogo.

"Nyararai imi ndione pane nyaya, saka


Lee wati maisadanana saka mairara sei
musingadanani mamessages aya
ndeekunyepe here" vakabvunza
sekuru.

"Sekuru kutaura chokwadi musikana


uyu ndakangomuchiva kuti ane body
yakanaka plus iye ndiye akandikwezva
kurara naye paakanyepa kumunyika
pandakada kumubatsira aivhura
makumbo ndichiona zvinhu zvese zuva
iri ndakazvibata semukomana
ndakamukumbira number dzake
akandipa asi handina kumupfimba
ndakamuti ngatisangane pamutondo
tikasangana ipapo ndikarara naye asi
ndaishandisa maprotections
mamessages iwayo ndakazomasenda
ndichida kuti aone kuti ndikumuitisa
pese pandairara naye ndaishandisa
maprotections ,airara nevanhu
vakawanda munhu uyu saka haisi
nhumbu yangu" ndakadaro
ndisinganyari ndakatoona kuti ndikada
kunyara zvaifira kwandiri.

"Okay ndapanzwa Ko Tasha ichokwadi


here zvataura Lee pane zvaunopikisa
here"
"Ehe ndinopikisa pakuti
ndakamukwezva anyepa ipapo ndiye
akandipfimba, anyepa futi pakatanga
kurara neni akashandisa
maprotections, paakatanga kurara neni
aisashandisa maprotections ndikamuti
andiite nhumbu here iye akati unotyei
hanty inenge ina baba here
maprotections akazomashandisa later
ndatova nenhumbu yake" said Tasha
ndakada kumurova asi ndakazonyara
vanhu vakuru.

"Ko zvawainzi wakaonekwa wakarara


naMike wani" vakadaro gogo.

"I know ndiHilda akadaro inyaya


yekuti anorwadziwa neni mubvunzei
Mike wacho kuti akamborara neni
here" said Tasha

"Hilda iyeye ndakatomuvenga anenge


anodawo mwana wangu" vakadaro
mudhara vangu.

"Lee semaonero andazviita nhumbu


ina Tasha ndeyako asi kungoti wanga
usina kutarisira kuti achaita nhumbu
nekuda haasiye wawanga uchida
kuroora isu hatina vana vanorererwa
kunze ndichakubatsira kuti utoroora
nekuti Natasha akafa achizvara tisu
tinoita ngozi mumusha saka best way
tongoroora I know haumude asi
mukufamba kwenguva uchamuda hako
inga akanaka wani chii chaunoshoora
paari" vakadaro Sekuru.Vakatsigirana
namudhara ini andina kufara.Gogo
namhamha havana kufara nemhinduro
yasekuru.

"Izvozvo hazviite pano imi


musamanikidza muzukuru wangu
kuroora hure" said gogo.

"Mbuya vaCindy itonyararai zvenyu


ndini baba pano ndini ndopa
madecision andidi munhu
anondiendera mberi manzwa ka iwewe
Lee pawairara naTasha waiti
zvosvikepi" said sekuru.

Ndakabva ndabuda kuenda kunogara


mumota mangu kutaura chokwadi
ndanga ndisina kutarisira kuti sekuru
vangadaro.Inga vani vaibatsira
sabhuku kutonga nyaya saka yangu
sei vaitonga zvisiri fair.Ndakafunga
mashoko amai Hilda vachiti wana
nguva yekupfugama.Ndakaona kuti
ndaiva ndakaneta pamunamato.

Mangwana ndakageza ndikabva


ndatoenda kuchurch pasina
wandataura naye.Ndakazoona
mhamha,Cindy nagogo vakauyawo asi
mudhara nasekuru avana kuuya.Mai
Hilda ndivo vakaparidza zuva iri.
"Unosvika rini ungori wemaprayer
request nemaplease pray for me.
Svikawo panobhoekana nesituation
yako
Svikawo paunosimuka nehasha
muprayer.
Svikawo paunodhiritsa maareta akaipa
ari kushanda muhupenyu hwako"
vakadaro mai Hilda vachiparidza
vaitova nemoto zuva iri.

"Rise up stop waiting for someone


else to pray for you.
Stop waiting for dombo or miteuro to
work for you.
Stop waiting for someone else to lay
hands for you.
Simuka nehasha muprayer
uzvinamatire.
Dzura wega mudzi wematambudziko
ako" said Mai Hilda shoko ravo
rakanyatsogara pandiri.

"Ndiani akati munamato wako


haushandi,I am here to announce to
you kuti akakuudza kudaro
akanyepa,Rise up and pray for
yourself"

Service yakandikomberera payakapera


ndakanogara mumota mangu ndaida
kuona Hilda asi ndakaona zvaisaita
mai vake vaizondifungira kana
kundibata kuti ndodanana nemwana
wavo.
_Lee achabudai sei panyaya yaTasha_

_sekuru vakatonga nyaya zviri fair


here_

_ko sei mike akashaika pazuva


rekutongwa kwenyaya_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 20*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 20*
*#LEEROY#*

Ndakamutsa mota yangu ndakananga


kuground kunova ndiko
kwandakazoswera ndega.Mudhara
naSekuru sei vaisanzwisisa pane
nyaya vaiita kunga vakatengwa
naTasha.Imwe pfungwa yaiti dzokera
England asi ndakaona kuti ndinenge
ndarwadzisa Hilda.Ndakarova prayer
ndiri mumota mangu.

Mike foni yake yairamba ndakatadza


kuziva kuti aripi.Ndakazoenda kumba
kwatosviba Hilda anga anzwa
nekusenda mamessages
ndisingapindure ndaisava mugood
mood.Muroad ndakaona Mike
ndikadzika pandakamushevedza
paakandiona akabva atiza.Haana kure
kwaakasvika ndanga ndatomubata
ndikatombomupa mambama.Kutiza
zvoreva kuti ari kuziva mhosva
yake.Ndakamukanda mumota
ndikaenda naye kumba ndaida
anotaura ega nyaya yake.Tasha
paakandiona ndichisvika naMike
akatovhunduka.

"Mike wauya naye kuti adiii"


vakabvunza mudhara

"Ndiye muridzi wenhumbu ina Tasha


ndoda azvitaurire ega" ndakadaro

"Handidi kutemeswa musoro nenyaya


yatakapedza nezuro" vakadaro
mudhara.

"Kutemeswa musoro? Saka muri kuti


makatonga zviri fair here paya
handisisiri mwana mudiki musaita
zvekuti ndotadza kukupai respect
sababa vangu nyaya iyi haidi dzungu
asi kunzwisisa kwairi kuenda chete"
pandakapedza kutaura ndanga
ndatova pasi ndapihwa chibhakera
mudumbu namudhara.Ndakatanga
kugomera nemarwadzo panguva
iyi.Mai vangu vakauya pandiri
vachisvimha misodzi vakabatsirana
kundisimudza naCindy vakandigarisa
pasofa.

"Mwana iwe unofira mumaoko angu


unonyatsoziva kuti ndiri baba vako
here usandiita kunga mwana mudiki
iwewe mai lee next time unatsiura
mwana wako ndomukuvadza
haandizive mushe uyu" vakadaro
vachipupa nehasha.Sekuru vakataura
vachindituka hanzi ndoda munhu ane
hunhu pano kana waona usingagoni
respect enda kumba kwako.

"Sekuru vaLee naFreddy ndozviziva


isu vakadzi hatisu totanga nyaya iyi asi
pamunotadza totaura chete
makanganwa kuti mwana uyu ndiye
akasimudzira mhuri zvekuti
takuonekerawo edzaiwo kunzwisisa
mwana iwewe Freddy zvawaita
handina kuzvifarira unoroverei mwana
imba yauri kugara akakutengera ndiani
even mota dzauri kufamba nadzo
akakutengera ndiani musadaro imi"
vakadaro Gogo ndainyatsoona
kurwadziwa kwavo mumaziso.

"Mai zvagara mwana akaita mari


anofana kuchengeta vabereki
vakamurera pamati ndiye akasimudzira
mhuri ipapo manyepa zvakutoita
kunga ini pasina zvandakaitawo" said
dad.

"Usaita kunga mwana mudiki


zvandataura wazvinzwa"

"Mbuya vaCindy imbonyararai zvamuri


kutaura zvapinda papi nenyaya yatiri
kutonga iyi tangai mafunga musati
mataura,Lee uri kuona vanhu
vakutadza kuwirirana pano nekuda
kwako" vakadaro Sekuru.Gogo havana
kupindura vakabva vanyarara zvavo.

"Mike wakamborara naNatasha uyo


here" vakabvunza mudhara.

"Aiwa hatitowirirane nemusikana uyo


handitaure naye ndakatomuvenga"
akadaro Mike ndakanzwa kutsva
pamoyo chaipo pandakanzwa izvi.

"Mazviona zvandaitaura kuti nyaya iyi


yakapera week rino hariperi tanoroora
Tasha nekuti hatingagare nemwana
wevanhu tisina kubvisira" said Sekuru
vangu.

"Mike ndokumbirawo kumboona foni


yako" akadaro Cindy achienda pana
Mike kuti anotora foni.Ndakafara
paakadaro nekuti pamwe inogona
kutibatsira.Asi zvakazopinda musango
zvapindirwa negarwe.

"Iwe Cindy wanzi upindire nyaya


dzevakuru ndiani gara pasi ndisati
ndakurova vana imi hamusisina
hunhu,Mai Lee uri kuona zvikuita vana
vako imhosva yako hausi kuvatsiura"
vakadaro dad.Cindy semunhu
aikurumidza kutsamwa akabva
atobuda mumba asina chaataura.

Mike akanzi aende hake haana mhosva


ndakaona Tasha achifara kuti
awina.Chikafu chemanheru
ndakachiramba foni yangu yakaringer
anga ari Hilda ndikaisiya
yakadaro.Ikarira futi mhamha vakaitora
vakanodairira panze pasina
vanhu.Vakandiudza kuti ndamuudza
kuti hausi kunzwa
zvakanaka.Ndakabva ndanorara Tasha
akateverawo.Akatanga kundibata apa
maoko ake aitonhora ndakamutuka.

"Saka hausi kuda kundipa zvandikuda


here"

"Siyana neni iwe muroyi enda


unopihwa naMike"

"Asi Lee usadaro ndikunzwa kuda ini"


akadaro achitobata sinhi rangu
ndakatoona kuti apa ndikaita
zvekutamba ndotadza kukurira
muedzo.Ndakatora gumbezi ndikaenda
kunorara muroom maCindy pasi.

Ndakamukira kubuda zvekuti Cindy


haana kumbozviona kuti ndakarara
muroom make.Ndakabva ndaenda
kumaprayers emakuseni.Kwanga
kusina vanhu vakawanda havo asi mai
hilda vanga varipo.Takanamata
tikapedza mai Hilda vakati waita
zvakanaka wamukira kushumira Mwari.

Ndakananga kushop kunoona mudiwa


wangu ndakasvika
achitobika.Takazodya tese munya
nematemba zvonaka manje.Ndakaona
mubedroom mairara manga muri
smart.

*#HILDA#*
Pakapera service ndaida kuona Lee
asina handina kumuona.Ndakamuisira
mamessages asi aisapindura hake
ndakafunga kuti pamwe ari busy.Atova
manheru ndakaona zii yacho yanyanya
ndakaziva kuti something is wrong
chete ndakamufonera ikadairwa mai
vake.Vakataura neni vachindifarira
hanzi ndiwe muroora wangu ari
pamoyo usazorambawo mwana wangu
everything will be okay pane
chakanaka satan anoita plan yekuti
avhiringe.Usatendera kuti satan apinde
pakati penyu naLee.Ndakafara amwene
vangu vaindida vakandiudza Lee haasi
kunzwa mushe
ndakarwadziwa.Ndakanamata zuva iri
ndichinamatira relationship yedu.

Lee akazouya makuseni ndichibika


matemba andaida kudyisa kamunya
kangu.Ndakafunga kuti vana Lee
havadye ndevechirungu asi akatodya
neni achindipakisa apa ndainyara
sei.Akanotarisa mandinorara
ndakabuda ndichida kunotengesera
vanhu vaida chingwa.Lee akauya
akandiudza zvese zvakaitika
ndakarwadziwa andidi kunyepa.

"Saka Lee uchatoora Tasha here ini


ndozodiii nhai" ndakadaro maziso
ajenga misodzi.
"Bbe handiroori Tasha never ndivo
vari kuda kunoroora asi ini ndenge
ndisipo kumba kwangu haachafi
akakutsika zvachose angatoita mkadzi
wadad kwete wangu"

"Hoooo asi sei baba vako


vakandivenga nhai Lee"

"Aaah avo dzinenge dzinombopota


dzichitachana chete siyana nazvo just
know my mother loves you"

"I love her too ndakafara pandakataura


navo nezuro hanzi musatendera satan
kuti apinde pakati penyu" ndakadaro
"Ummmm ok I love you my future
wife,promise tichamira tese mukufara
nemumutambudzika" said Lee

"I love you too dad lee,i promise


ndichamira newe mukuchema
nemukufara" ndakadaro ndakatarisa
mukomana wangu anga akandinakira
hake.

Ndaida kupedzerana naMike uyo


akaramba zvinhu zviri pachena.Ari
Tasha patosangana panozvarwa
mwana asina bvudzi chete.Takaita
chitsidzo naLee kuti ticharwira rudo
rwedu apana chichatipatsanura.
"Saka Mike atoramba kuti haana kurara
naTasha here"

"Ehe akaramba even Tasha wacho


akazvirambawo"

"Okay dai Petso aripo aindipupurira


nekuti anga aripo patakawanikidza
vakarara vese" ndakadaro
ndakamuudza zvese kuti aimbodanana
naPetso.

"Saka zvariri hure remakoko nhai"

"Mira uyo achaona kuti haana


kungwara"
"Asi ukuda kurevenger here bbe"

"I don't like revenge because once I


start.Even satan will sit down and take
notes" ndakadaro Lee akabvaruka
nekuseka haa ndakamunakidza
ndakagumisira ndakusekawo.

Takataura zvakawanda naLee akabva


aenda hake.Ndakasara ndega
ndichitengesa musi uyu kwaitopisa
zvako.Cindy akasvikawo
akandivaraidza hake.

"Tete Cindy ndoda kuti


mundiperekedze kumba kwana Mike"

"Wow nhasi ndanzi tete yeeeee"


akadaro Cindy achifara uyo aitopenga.

"Aaah amana ka zvinofadza here"

"Ehe ndafara nekuti hauna respect ziva


kuti mukanetsana naLee muchauya
kwandiri ini tete ndogadzirisa nyaya
yenyu" said Cindy achiseka aitova
funny.Ndakavhara shop tikaenda
kumba kwana Mike.Takasvika ari busy
pafoni pake ndakasviko bvuta foni
yake ndikaisa mubraa iye akada
kuitora zvechisimba kugumha
kwaakaita zamo rangu kwakakwidza
hasha dzangu.
"Uri kuzvifira izvozvo kuguma zamo
rangu kwawaita"

"Fuck you Hilda apana zvaunondiita


anoshamisirei mazamo ako handisisiri
Mike wakudhara wawaijairira" akadaro
Mike.Cindy akabva aenda kumashure
kwaMike ini ndikasara ndiri pamberi
pake.

Ndakaenda pedyo naye ndichiita


kunga ndiri kuda kumukisa ndikabva
ndamuhedha pamhino ndiye
zii.Ndakaenda kudanga remombe
ndikatakura ndowe yemombe ndikabva
ndaiisa mubhurugwa
make.Akazopepuka adirwa mvura
naCindy akamuka nedzungu akapihwa
mambama naCindy.

"Uri hwai nhasi ndoda kukunwisa wet


yangu uchaona wega kuti life is not
fair" ndakadaro ndikaenda kuseri
kwemba yavo ndikaitira wet mukagaba.

"Wakaramba kuti wakarara naTasha ka


iwewe manje uri kuinwa wet iyi ooh
tambira" ndakadaro ndichimutambidza
anga akuchema achinzwisa tsitsi.

"Boss Hilda musandidaro please


ndoita zvese zvamoda please"akadaro
achiedza kundinyengerera ndanga
ndakutonzi boss.

"Iwewe wakarambirei zvaunoziva heee


wakanyadzisa mkoma vangu" said
Cindy

"Shaaa inwa tione ndiwe uchaudza


vamwe kuti kutaura chokwadi
kwakanaka" ndakadaro

Mike aizeza kunwa akuda kunwa


akamiswa naCindy akamunzwira
tsitsi.Ini ndaisanzwa tsitsi ndaifunga
kurwadziwa kwaiita Lee
nekumanikidzwa kuroora munhu ane
nhumbu yaMike ndainzwa
hasha.Ndakamudira wet iyoyo
ndikapedzera hasha dzangu
paari.Baba Mike vakasvika vachiona
mwana wavo achirohwa vakagumbuka
vakatora huni vachida kutirova
nayo.Cindy akabva atiza ini
ndakabatwa ndisina kwandati ndasvika
ndakakandwa mune imwe room
ndokufunga ndobedroom ravo.Hanzi
pane chiri kushota pauri ndoda
kuribvisa dzungu iroro ndakachema
ndakademba nechandanga ndauyira
pamba pavo.Vakabvisa hembe dzavo
vakauya kuvhura makumbo angu
ndakachema kuti kutobatwa chibharo
ka uku ndinozviita ndine simba asi
baba ava simba ravo
rakanyanya.Ndakaedza kurwisa
ndikatadza humhandara hwangu
hwoenda here veduwee.
_gona ana gona wakewo Hilda
azochiona_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 21*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587
*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 21*

*#HILDA#*

Takakikiritsana nedhara iri asi raive


nesimba rakapfuura rangu
nekure.Ndakatoona kuti ndiko kuenda
kwehumhanda hwangu ndakaedza
kuda kuriruma but ndakaona apana
zvariri kunzwa.Ndaifunga kuti Mike
achauya achindibatsirawo asi
haana.Ndakabata chinhu chavo
ndikatanga kuchimonya murume
mukuru akatanga kugomera
nemarwadzo ndaitoda
kuchidambura.Ndakaramba
ndichichimonya kusvika dhara rakuti
usadaro ndokupa hangu mombe
dzangu dzose pamwe chete
nembudzi.Ndaisada kunzwa izvozvo
aida kufira kutangira mkomana wangu
kuona cookie yangu.Ndakamupa
bhutsu pakati pemakumbo.

Vakadonha pasi ndidzo nguva


dzakasvika Lee naCindy
vachimhanya.Ndakavhura door
ndikamhanya kumbundira Lee wangu
ndichichema.Lee akabata baba Mike
vasina kupfeka vakabuda navo kunze
akatanga kuvarova ivo vakada
kumbodzorera asi vanga vasangana
nemikono.Mike hatina kumuona
anenge anga atiza uyo tichamubata
atleast foni yake iri mubraa
mangu.Vanhu vakaita sana baba Mike
vanofana kuenda kwavakakodzera
kusakwana kuda kubata vana vechidiki
chibharo.Ba Mike raiva hure rechirume
vaidanana nevakadzi vevanhu madays
andaifudza mombe ndakambovaona
vakarara naMai Tafi.Ndakaona Mike
aitevera matsimba amudhara ekuda
vakadzi.

Baba Mike vakarohwa zvakanzwisa


tsitsi vari musvo kudaro vanhu vepa
next door pavo vakauya vakanzwa
nyaya iyoyo vakatanga kutema baba
Mike nematombo. Vanhu vazhinji
vakaungana pavaizwa nyaya vaitanga
kutuka baba mike vamwe vachivatema
nemavhu vamwe nematombo zvekuti
vanga vazara ropa.Ndakazonakirwa
nevamwe mai so vakatora shamhu 5
vakatanga kurova ba Mike nadzo
kusvika dzese dzaguka ndakatoona
kuti vanhu ava vanenge vane
grudge.Vanhu vaida zvinhu vanga
vatowanda Ba Mike vachiendwa navo
kumapurisa.

Mai Mike vainzi vakaenda kumba


kwevabereki vavo kunoona mai vavo
vari kurwara.Takaenda navo kupolice
vanhu vachiita zvavanoda naBa Mike
ameno Mai Tasha vakabva nepi
vakasvika kumisa vanhu.

"Iwe mkadzi iwe ndiwe umwe


unokwirana naBa Mike itonyarara hako
tibvire pamberi apo" akadaro umwe
murume achireva mai Tasha ivo
vakabva vatosvava.Takasvika
ndikataura nyaya yangu sezvairi Ba
Mike havana kuramba vakabvuma
mhosva yavo takasiya
vavharirwa.Takaenda kumba
tikasangana naMike.

"Hilda ndipe foni yangu hondo


yamatanga iyi hamuipedzi ndoda
kutoudza Sekuru vangu Clever
munoziva muganas" akadaro Mike
ndakabva ndaziva kuti Clever aizvarwa
namai vaMike.

"Uri kuda kundivhundisira here enda


unoudza sekuru zvawada" said
Lee.Cindy akabva arova Mike mbama
aidawo zvemaoko asi aisamagona.

"Lee munhu uyu ndiye akarara


naTasha mubvunze anokuudza asi
anoda kutanga kurova ndiko kuti
akuudze" akadaro Cindy, Mike nekutya
kurohwa akabvuma kuti akarara
naTasha asina maprotections asi
akaramba kuti nhumbu haisi yake.Mai
Tasha vakabva vasvikawo vachibva
kubindu kwavo.Takaramba tiri ziii
vakabvunza Mike chaitora nzvimbo mai
iyi yaidawo zvinhu apa yaiita kunga ine
nhumbu regai ndinyarare pamwe ndini
ndatadza kuona.

"Mai Tasha nyaya iripo apa iri pachena


Mike wamuri kuona ndiye baba
wenhumbu ine mwana wenyu" said
Lee , Mai Tasha vakabva vanditarisa
kunga ndini ndazvitaura.
"Hooo kana Mike ari muridzi
wenhumbu sei Natasha ari kumba
kwenyu"

"Izvozvo motobvunza mwana wenyu,


ukaona uchiri musikana uchiti ukarara
nemanhede mazamu anoinda
muhapwa you are finished ndizvo
zvakaita mwana wenyu asi
akambozvara" said Lee takabva
tatanga kuseka naCindy.Masekero
andakaita akavarwadza.

"Hilda uri muroyi ndiwe ukunyepera


Lee kuti arambe mwana wangu manje
ndoda kunoona mai vako"
"Mai imi mundidzikamire handidi
zvepamuromo nemi" ndakadaro

"Hilda waonawo zvandaona here"


akadaro Cindy achiseka.

"Ehe handizvitaure hangu kuti vane


nhumbu mai ava apa murume ari
mujeri" ndakadaro ndichiseka.

"Ehe obvious ingaita yaani ndeya


rapist uya" takabva tatiza vakatanga
kutimhanyisa mai Tasha.Takananga
kumba tikasvika kuzvivharira muroom
mangu Lee takamusiya akangomira
aitosekawo nedrama ratanga taita.
"Iwe mai Hilda ndomuuraya mwana
wako nekamwe kacho ako" vakadaro
Mai Tasha nehasha.

"Kwakanaka here kwamunosvika


muchipopota musina kutimhoresawo"
said moms

"Handina nguva yekumhoresa mahure


inini budisa mwana wawaviga mumba
umo"

"Mai Natasha handidi zvenoise pamba


pangu makambondiona ndichisvika
kumba kwenyu pano pamba pangu
dzikamai"

"Saka uri kundiudza kuti uri kufarira


zviri kuita mwana wako here" said Mai
Tasha.

" Taurai pane nyaya yenyu amai"

"Mwana wako andituka pazere vanhu


kundiita benzi nekamwe kacho,ndiye
ari kunyepera Lee kuti asaroora
mwana wangu ndakagara ndazviona
kuti Hilda anoda Lee ndakambovaona
vachikisana last week" vakadaro

"Aaaah Hilda kukisana naLee how


where?"Mai vangu havana kuzvitenda
vanoziva kuti handina basa
nevakomana.

Ndakabuda ndichidongorera kuona


kuti Mai Tasha vachiripo here
ndakazoona ndapihwa mucheka
wembama namai vangu.Vakatemha
shamhu dzavo dzemupeaches
vakapinda nadzo mumba ndakatanga
kutochema.

"Akakuudza kuti kubuda mazamu


ndokukura akakunyepera wakutoita
vakomana unoti Elena anozodzidzei
kwauri heeee kutodza tete vako Kundai
chihure sei uchida kuparadza vanhu
vakuda kuroorana"

"Mhamha mai Tasha vakandivenga


vanonyepa ava"

"Ko zvausina kupfeka bhurugwa


mukati raendepi" ndakaona mhamha
vanga vatsamwa ini ndakazvitukawo
ko ndatadza kuchinjawo pandapinda
sei.Kuti ndivaudze kuti ndaida kubatwa
chibharo ndiBa Mike zvaisaita
vaizobvunza kuti waitsvagei kumba
kwavo.

"Pindura ndati bhurugwa riri"


vakanditora vakaenda neni kubedroom
kwavo vakanditarisa kuti
ndichakakwana here.Vakazodzikama
vaona ndichakakwana.Vaida kuziva
kwandaisa pant ndakazotaura
chokwadi kuti baba mike ndivo vari
bvisa vaida kundibata
chibharo.Ndakavaudza chokwadi asi
ndakazonyepa pandakati
ndakaperekedza Cindy kunotora mari
yake.Vakanzwisisa havo vakabva
vatoti handichadi kukuona kumaraini.

"Ko Lee chii chako mai vabva pano


vanyepa here kuti vakakuonai
muchikisana"

"Vanonyepa kungoti Lee ndowirirana


naye pakuti ndimukoma vaBesty
vangu Cindy saka Mai Tasha vanenge
vakurwadziwa" ndakadaro Cindy
akabva anditsigirawo.Elena akabva
atanga kuseka aka ndiko kaida
kundibatisa.

"Ko mukataura chokwadi munobvei sis


mhamha ameno henyu
mukunyeperwa" kakadaro Elena
ndakatoona kuti shavi rako
rabata.Padoor pakabva paita knock
kuvhura kudai kwakuona ndiBaba Lee.

Pakasvika Ba Lee chiso chamai vangu


hachina kufara.Ndakatoshayawo kuti
vaidei pamba pedu kana Cindy
zvakamushamisawo.
*PETSO*

Life is not easy zvinhu zvanga zvisina


kumira zvakanaka kuside kwangu.Mai
vangu vaisanzwa zvakanaka mari
yekuti ndivarapise ndanga ndisina.Mari
yandaitambira yanga isina kuwanda
ndaitengawo chikafu chishoma
ichocho imwe yacho ndotengawo
mapills amai vangu.Ndaimbosvika
nguva yekuchema ndichiti
ndichazofarawo rini, ndaiti
ndazviwanirawo musikana pana Tasha
akandirasisa.Life is not fair ndaikiya
kiya kuti pamba paitewo zviri nani.Mai
vangu pavanga vasingarwari zvaiva
nani vaindibatsirawo kuita
maricho.Ndaingonamata kuti dai mai
vangu vararama nerimwe remazuva
vazopemberawo neni
pandichabudirira.Ukaita nhamo
inonhuwa apana anoda kuzotamba
newe ameno vanenge vachifunga kuti
ukatamba nemunhu anotambura
unozotamburawo here.

Vasikana ndaitovadawo asi apana


anoda munhu anotambura.Mazuvano
vasikana vakuda munhu ane mari
isusu tinenge tichinzi atina
future.Hembe dzangu dzanga dzazara
zvigamba dzimwe dzapera muto.Cindy
muzukuru wagogo Maviza
pandaisangana naye hana yangu
yaingorova ndainzwa kumuda asi
zvaiva zviroto.Shamwari yangu
yandaiwirirana nayo ndiTendai
wandaifudza naye mombe kutambura
kwavo kwanga kuri nani.Pese
pandairara ndaingorota ndina Cindy
tiri kubeach tichidanana ndaiudza
Tendai ainditi zviroto mupengo
zvisingazadzisike.Kuchurch
ndaiendawo every Sunday iyoyo
yaipindwa nana Hilda.Hilda aisadada
ndaitaura naye aindifarira apa anga
anaka hake vanga rega nei
vakushanda basa rine mari iri nani
pane isu toswera tichitsva nezuva tiri
mumakomo tichimbobaiwa neminzwa.
Rimwe zuva ndakasangana naTasha
aina Tafi handina kumumhoresa
ndakaramba ndichienda.Ndakasvika
pakazara maprotections akashandiswa
ndakatoziva kuti vabva
kustonyana.Tasha ndakabvuma ihure
munhu ari kunzi akuda kuroorwa ari
busy kurara nana Tafi.Zuva parakavira
takatora mombe dzedu tikaenda
kumba tichifambira muroad inofambira
mota.Pakasvika mota ikaridza huta iri
kumashure takatanga kubvisa mombe
muroad.

"Imi marombe bvisai tumombe twenyu


muroad" akadaro Clever uyo
ndaimutya aiva musoja
akambondirovera umwe mufesi
pagrowth point mushure mekunga
amushevedza akaramba kudaira.

Mombe dzacho dzakatanga kuramba


veduwe ndakadikitira nekuti Clever
ndaimutya.Akadzika akatipa mambama
takapfugama pasi tikatanga kukumbira
ruregerero.

"Vapfana mandidyira time


ndatononoka nekuda kwenyu mese itai
mapressups 200 tione" akadaro hake
musoja weZimbabwe Clever.
Takarova ndikatadza kusvitsa 13
chaiwo apa painzi 200.Akatora shamhu
akati munhu wese ngaarove
200.Ndakarova 26 ndikambomira
zvikanzi wazorora tangidza futi watova
pazero ndakatanga kuchema.

"Uri kutochema hako hausati watanga


haundizive mushe iwewe" akadaro
achindirova neshamhu
yake.Ndakashingiriridza ndikasvika
pa168 ndikadonha pasi nekurwadziwa
zvikanzi watova pazero.Tendai
akadonha atova pa197 zvikanzi
tangidzai.Takaita tichirohwa misodzi iri
pamatama ndakatanga kushuwira kuti
dai baba vangu vari vapenyu ndisiri
kutambudzwa kudai.Apana akasvitsa
200 Clever akatsamwa nazvo akati
ndoda kukuonai kumba
kwangu.Takabvisa mombe akaenda
hake ndaishaya kuti
tanyanyomutadzirei chaizvo musoja
uyu ngatinzwirewo tsitsi.

Takasvika nekuvhaira mombe tikabva


taenda kumba kwaClever takasvika
asiko takamumirira kusvika
adzoka.Akazosvika pava paya aina
Mike.Takapihwa mapadza hanzi ndoda
munditimbire mugarden
mangu.Takaenda kunotimba kusvika
kwatosviba tapedza zvikanzi
ndidhigirei bhini manheru iwayo
tikapedza.Zvikanzi chiendai henyu.

*CINDY*

Ndakatopererwavo kuti dad vaidei


pamba pana Hilda.Ivo
vakatoshamisikawo kundiona
vakamhoresa Mai Hilda pamwe chete
naHilda wacho.

"Iya uri kuno Cindy ndabva uko


ndichikutsvaga" vakadaro ndakaona
kuti mastatements.Ndakatoziva kuti
vaitaimira Mai Hilda
chete.Ndakambofunga kuti pamwe
naMai Hilda vanodanana asi
ndazviramba mai Hilda havadaro
munhu akadzikama.

"Ehe ndiri kuno nabesty wangu Hilda"


ndakadaro

"Hilda unozofarirwa nemwana wangu


rega tiende isu hatichagari" vakadaro
asi apana akapindura ndakaona kuti
mai Hilda vanga vasina mufaro
pachiso chavo.Vakandibata ruoko
mudhara tikafamba kubuda gate.
"Ko dad manga muchidei pana Hilda"

"Ndanga ndichikutsvaga laptop yangu


yaita problem ndiwe unoziva
zvemacomputers"

"Madii kubatsirwa namhamha


vanogona wani"

"Mai vako vazvitadza mwanangu,ko


ndakanzwa kuti Hilda akutengesa
kushop ndiko kwaanorara here"
"Anorara pamba pavo pamamuona ari"
ndakadaro

"Hoooo pakanaka"

Takazosvika pamba pasina ari kutaura


neumwe.Ndakatarisa laptop yacho
yanga isina problem ndakabhoekana.

Ndakaenda kunogara nagogo vangu


vachindiudza nyaya.Moms vanga vari
busy kudiridza kugarden.Ndakaona
Tasha achipinda pagate ndakaenda
paari ndikanzwa kasmell kasina
kundiitira zvakanaka.
"Wobva kunohura dai zvaipihwa
madegree ungadai usina pekumaisa
nekuwanda"

"Ndozvaunofunga chete saka munhu


otadza kufamba here"

"Unoti handisi kuziva kuti uri kubva


kunorarwa here ndakuona uchibva
nekanzira kemusango ako" ndakadaro
ndikaona munhu akuvhunduka.

Haana kupindura ndakamutevera


ndichimunyaudza dzamara andipa
mbama.Takatanga kurwa mudhara
ndivo vakazobata.

"Mufembedzei munzwe kuti ari


kunhuwa chii munhu uyu ihure"
ndakadaro ndichifemera padenga.Iye
akandijambira tikatanga kurwa futi
gogo ndivo vakazondibata vakabuda
neni.Vakanditi handidi urwe Tasha
siyana naye Mwari vachamutonga.

Elena kachataura here

_Clever paachanzwa kuti murume


wasis vake asungwa achadiii_
_Ba Lee vaidei pamba pana Hilda_

_Clever achaita sei pachanzwa kuti


bbe ratorwa naLee_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 22*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 22*

*#HILDA#*
Nguva dzakabuda Cindy nababa vake
ndakatora Elena ndikaenda nako
paside pedu tega.

"Elena usaita kunga mwana mudiki


inga wakura wani" ndakadaro

"Ewoni sis andifari kuona


muchinyepera mhamha munenge
makuvaita kunga benzi" kakadaro
Elena.

"Pauchazoita mkomana uchazvionawo


kuti zvobhowa sei izvozvo, mhamha
ndichavaudza ndega andidi anopindira
panyaya dzangu"
"Okay ndazvinzwa sis"

Kakanzwisisa hako kakaenda kunoita


basa ranga achiita.Ndakasara
ndikabudisa foni yamike ndikatanga
kuverenga mamessages aitaura
naTasha.Mike aitoudza Tasha kuti
nhumbu ndeyake asi ngaanyepe kuti
ndeya Lee tiite mari.Maonero andakaita
Tasha aida Lee, uyu Mike aida
kushandisa Tasha kuti abire Lee mari
achimupa.Ndakaramba ndichiverenga
ndikatoona pakanzi naTasha ,Lee ari
kuda kukura musoro mira ndiende
kuna mai vangu vandipe mushonga
wekuti abvume zvandinoda.Ndakaenda
kumapics kwanga kune manudes pics
avaizvitora vakarara vese mamwe acho
Mike akarara nevamwe
vasikana.Ndakafara kuti ndawana
evidence inogona kubatsira Lee
ndakabva ndaidzosa mubraa.

Musi uyu ndakarara pamba


ndikamukira kuenda kushop
kwangu.Zuva iri ndakasweda ndiri
busy pashop pangu vanhu vaitenga
kwete zvekutamba.Clever akasvika
ndakasvotwa ndanga ndisingachadi
kumuona.Ndaida kumutuka asi
ndakanyara vanhu vaivemo.Vanhu
vakati vapera kubuda Clever akatanga
kutaura hake.
"My love ndanga ndakusuwa"

"I'm not your lover Clever leave me


alone ndoda Lee chete" ndakadaro

"Hooo inga wani wakandibvuma last


week taiwirirana zvakanaka wani"

"It's over Clever ndanga ndisingakude


uri muroyi waiita ndivenge mkomana
wangu manje tadzokerana get out
handichadi kukuona muno"ndakadaro
Clever akaramba akanditarisa aine
kurwadziwa kukuru.Akabva abuda
hake handina basa naye.
Clever kumuramba kwandakaita
kwakamurwadza zvandakaona
nemaziso angu.Pasina nguva Cindy
akasvikawo ndanga ndatochaisa
hangu.Ndakamuratidza foni yaMike
akatya nezvaiona asi akafara kuti
tawana evidence.

"This time tavapedzera mira uone hako


makoti"

"Ava vanoda kuitisa vanhu ,Tasha


anenge akapihwa mushonga
wekufuratidza sekuru na baba vako
kuti vamuroore"ndakadaro
"Ehe nhai"

Ndakaperekedza Cindy kumba kwavo


nyaya dzichitsva.Gogo vake vakafara
vachindiona ndakambokurukura
ndanga ndavasuwa.Baba Cindy
vakabuda vakatora direction yekumba
kwedu ndakabva
ndatooneka.Ndakatevera kumashure
kwavo ndichihwanda kuti
vasandiona.Vakasvika pagate pedu
vakacheuka kuti apana aivaona here
vakaona pasina
vakapinda.Ndakatevera ndinohwanda
ndaida kunzwa nyaya dzevaviri
ava.Elena anga aenda kuchibhorani
panguva iyi.

"VaMaviza ndokubatsirai nei" vakadaro


mai vangu.

"Lucy ndauya kuona iwewe,


haundipinze mumba here titaure
takagara pasi here" said ba Cindy
ndakatashaya kuti vakazivirepi zita
ramai vangu.

"Baba imi musada kundibvisa pedyo


naMwari taurai zvamafambira tione"
"Lucy ruva remoyo wangu ndotadza
kurara ndichikufunga ndokuda
ndinzwisisewo hanty hauna murume
here"

"Kugara ndisina hazvirevi kuti ndatova


hure rodanana nevarume vevanhu
siyanai neni baba imi muri kuona ring
iri ndichiri mkadzi wemunhu" vakadaro
mai vangu vachisimudza ruoko rwavo
rwanga rwune ring.

"Lucy i heard wakasiyana nemurume


wako,I know hausi hure that's ndiri
kukupfimba ndipewo chance kana
uchitya mai Lee ndovaramba tovasiya
kuno kumusha isu toenda kunogara
kutown" vakadaro ndakarwadziwa
nemashoko aya ndoshaya kuti
vaishorei pana Mai Lee inga vakanaka
wani vakabatana vatsvuku haaa
varume havagutsikane.

Ndakabva ndabudikira mhamha vanga


vakupopota ini ndanga ndafutawo
nehasha.

"Whatever garai kumba kwenyu


muchandivengesa nemkadzi wenyu ko
gogo vakanzwa kuti muri kundipfimba
vanofungei obvious vachati
ndakaramba basa kuti ndidanane
nevarume vevanhu andidi miedzo ibvai
pamba pangu" vakadaro mai vangu.

"iwe mudhara handidi kukuona


uchinetsa mai vangu unofira mumaoko
angu wanzwa get out" ndakadaro.

"Hey young girl usapindire nyaya


dzausingazive handina kuuya kuona
iwewe saka nyarara"

"Wakajaidzwa uchaona kuti inini


naCindy takasiyana ndoda kukutema
makumbo iwayo" ndakadaro
ndichinotora bhemba Ndakaona
murume mukuru akutiza
ndakamumhanyisa ndikamusiya ava
pagate pake ndikadzoka.Ndanga
ndagumbuka zvekuti ndibaba
vemukomana vangu handina basa
nazvo andidi kushungurudzirwa mai
vangu chete.

*PETSO*

Mai vanga vakurwara worse zvekuti


ndakatopererwavo nezvekuita nekuti
mari yekuvarapisa panga
pasina.Ndakatanga kusvimha misodzi
ndakavatarisa vanga
vasingachakwanisa kutaura kana
kudya.Pavakatanga kugwinha gwinha
vachibuda furo ndakamhanya kumba
kwaPastor ndikasvika vasiko vainzi
vakabuda vachadzoka next week
ndakaita weak nekuti ndivo vanhu
vandanga ndakatarisira kuti vanogona
kundibatsira.Ndakudzoka kumba
ndakasangana namai Hilda
ndikavaudza kuti mai vangu vakufa
ndichichema vakandinzwira
tsitsi.Vakamhanya kumba kwavo
vakatora bible tikaenda kumba
tikasvika mhamha vakufemera kure
kure apa furo richibuda.

Mai Hilda vakaisa bible pachest pamai


vangu vakatanga kunamata kwenguva
yakareba vachichema nendimi.Mai
Hilda vakazobata mai vangu musoro
vakanamata moms vakatanga
kudikitira kunga munhu adirwa
mvura.Vakabva vasvinura vakatanga
kurutsa zvinhu zveblack zvega
zvega.Mai Hilda vakandishamisa kuti
vanamatira mai vangu vakapora.Saka
sei kuchurch vasinganamatire vanhu
vanorwara .

"Mai Patson makamborota murume


anga akapfeka zvinhu zveblack
achikutambidzai mupunga une nyama
yakawandisa mukadya"said Mai Hilda.
"Ehe ndakamurota pandakadya
ndakamuka nyama dzangu
dzichirwadza" vakadaro Mai vangu
ndakanzwa kufara kuti vakukwanisa
kutaurawo.

"Mother makadyiswa makarara satan


ari pabasa haana zororo wanai nguva
yekupfugama muchinamata mune
simba rekudzinga mweya yakaipa"
said Mai Hilda.

"Maita basa ndoshaya kuti


ndokutendai nei handina kana cent"
said mai vangu.
"Mbiri ngaipihwe baba vari kumusoro
kudenga, Patson bikira mai vako
porridge vadye vawane simba"

"Eish shuga yacho hapana"


ndakadaro.

"Mwanangu bika rakadaro ndodya


hangu ngatifambe nezviripo" said mai
vangu.

"Patson mhanya kumba kwangu


unopihwa 2kg rice ne2kg sugar unoti
watumwa neni" said mai
Hilda.Ndakamhanya ndikasvika Elena
aripo akandipa zvandanga ndatumwa
ndikaenda kumba.Ndakasvika
ndikabika porridge riya mama vakadya
havo.Vakambotandara namai Hilda
vakabva vazoenda havo.Mai Hilda
vanga vane moyo wakanaka ,munhu
asingataurise haadadire vamwe.

Ndakatanga kudzokera kumombe


kwangu mhamha vangu vanga
vakufarira zvekunamata.Vainobatana
namai Hilda voenda kumaprayers
emakuseni.Zvinhu zvakatanga kuita
zviri nani pamba pedu.Mhamha vanga
vavhura garden hombe
remavegetables vaitohodhesa.Mwari
vakanaka patinogumirwa ndipo
pavanotangira.Cindy ndaimuona
hangu asi ndaikwata kutaura
naye.Ndakazorovera moyo padombo
ndikakanda shoko matukirwe
andakaitwa ipapo ndakanyara
ndakazvituka kuti ndazvitaurirei.

"Usafunga kuti kutaura newe


ndakukuda hausi type yangu wanzwa
handife ndakadanana nemkomana
akaita sewe nxaaaa ndatokuvenga
ndanga ndisingazive kuti uri benzi
ndaikuona sebrother yangu shiit"
akadaro Cindy akabva atoenda kumba
kwana Hilda.Ndakarwadziwa handidi
kunyepa ehe paati handisi type yake
ataura chokwadi akakodzerawo
kudanana nemunhu ane skiri riri nani
pane rangu.Tendai akandiseka hanzi
ndakakuudza nditori nani pane iye
aitokwata kutaura nemusikana wacho.

Cindy anga atondivenga zvandakaona


nemeso angu.Pese pandaisangana
naye aindituka ndakazoona kuti uku
kwava kundijairira kushaya mari yava
mhosva here.

"Iwe musikana siyana neni


ndakakupfimba ukandiramba
ndikasiyana newe yako yekuti
patosangana wondituka handizvide"
ndakadaro.

"Eehhh itodzikama hako ndikukuonesa


handife ndakadanana newe ini
kudanana nemufudzi wemombe no no
usatomboda kundotyisidzira"said
Cindy akanakidza Tendai akadonha
pasi achiseka.Iye Tendai ndakashaya
kuti aisekei ndiye aipawo Cindy
manyemwe ekundituka.

"Okay ndazvinzwa handitorinawo basa


newe ndaida kukunzwa hangu paya"
ndakadaro ndichibva ndatanga
kufamba.Cindy ndaimuona semunhu
kwaye but raitova benzi ndakabva
ndatomuvenga nenyaya
yekundidzikisira.Ndotsvaga umwe
musikana anopera here ndini
ndingatopera ndichisiya variko.
*LEEROY*

Ndakaenda kutown kumba kwangu


pasina wandakaudza.Cindy naHilda
ndakavaudza patopera 2 days
ndakavati vasaudze vanhu.Hilda
ndaimufonera ndichitaura naye mwana
aiva pamoyo pangu.Ndakatsvaga PI
anoongorora nezvenyaya yaCarick.PI
wangu ndakaenda naye kunoona
Carick kujeri.Akafara achindiona
ndakumuvigirawo chikafu anga
adzikira ndofunga istress taiva zera
rimwe chete naye.

"Ndaigara natete vangu hanzvadzi


yababa vanonzi Mai Tholana, vane
mwana wavo mumwe chete anonzi
Yollanda ane 19yrs ndakati ndichigeza
ndakanzwa noise mumba anga ari
manheru tete nemurume wavo vanga
vabuda kuenda all night prayer,
ndakamonera towel ndikabuda
mubathroom ndikanzwa mhere
muroom maYollanda ndakavhura door
ndikaona mune rima ndakaedza
kubatidza light rikaramba ndakafunga
kuti ratsva ndakasimudza Yollanda
ndikabuda naye ndikaona akazara ropa
pakati pemakumbo ndikamubvunza
akati uri muroyi wandirepa wakuda
kunyepera kuvhiringika vana tete
vakafonerwa havana kunzwisisa nyaya
yangu ndomamiriro akaita nyaya"
akadaro Carick achibuda misodzi.PI
akabvunza mimwe mibvunzo yake
ainyora mukabook kake akatopihwa
adress yepanogara tete
vake.Ndakasiya ndamusimbisa nyaya
yanga yakutsvagwa nemunhu anoziva
basa rake.

Papera mazuva ndakadzokera


kumusha ndikasvika pashop
paHilda.Ndakapihwa kiss mwana anga
andisuwa hake.Andina kugarisa
ndakabva ndapfuurira kuenda kumba
ndikasangana nemota yaClever
yakandivharira road.

"Mufana wekuromba tasangana"


akadaro Clever achiseka akagara
pamusoro pemota yake.

"Uchafa uchingoti ndakaromba


uchitadza kushanda kuti uzviitire mari
yako" ndakadaro ndichikwira
kugarawo pamusoro pemota yangu.

"Mupfana unoziva ndinogona


kukunyudza ukatadza kumuona
zvakare Hilda, Hilda andituka
nekundiramba nekuda kwako why
nhai"

"Warambiwa nekuti uri gwara haugoni


kupfimba basa kunyomba vanhu manje
vasikana havadi
izvozvo,usatombofunga kuti
ndinokutya nekuti uri musoja"
ndakadaro Clever akadzika pasi
ndikadzikawo takanosangana pakati.

"Mr Lee stay away from Hilda kana


uchida tiwirirane ukaita zvekutamba
pane 1 anofa pakati pedu tiri 3 na Hilda
wacho"
"Whatever go to hell satan ndiko
kwaunotonga ikoko" ndakapihwa
chibhakera chematsenga nzungu
ndikaruma muvhu.Ndakuda kupihwa
chimwe ndakanzvenga panhau
dzemaoko ndaimira.Ndakakanda
maround kick Clever akarumawo
muvhu.Pakarwiva panga pasangana
mikono fight yacho yanga iri
50/50.Cindy akauya kubata ameno
akabvawo nepi.

"Saka iwewe ndiwe ani wauya uchibata


vanhu vese avo unoti vakapusa here
vasina kubata" said Clever.
Cindy akaramba akanyarara haana
kupindura anga ati kwati kwati neni
anga akutotya nekuti face yaClever
yanga yatochinja akutyisa
kutarisa.Takanogara mumota mangu
ndikaenda neimwe road.

*Thanks nemacomments enyu mafans*

I'm not feeling well...buk richauya kana


munyori ava bhoo
*WATCH OUT FOR CHAPTER 23*
[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 23*

*#LEEROY#*

Ndakarova mota yangu ndakanyarara


Cindy aingotaura ega.Akanditambidza
foni yaanga akabata ndikamisa mota
ndakatanga kuona zvaiva mufoni
zvaatori mashura mapics aTasha
akarara naMike pamwe chete
nemamessages acho.Ndakafara kuti
ndawana umbowo hwakakwana
zvekuti Tasha anorara atobva pamba
pedu.

"Hiiiiii ndafara saka foni iyi yanga iripi


makaiwana sei"

"Hilda ndiye akaitorera Mike day riya


ndiye anga anayo"

"I love Hilda with all my heart ndoda


kumuroora mwana uya chete"

"Mukaroora Hilda ndofara even mama


vanomuda zvisingaite" said Cindy.
Takasvika kumba ndatova nemufaro
wakanyanyisa ndakataura naTasha
zvakanakawo akatofunga kuti
ndakumuda.Manheru asvika
ndakatambidza munhu wese foni
akaona zvaiva mufoni pamwe chete
nemamessages acho Tasha akashaya
kuti vanhu vaiwonei.Takamupa akaona
akastika ndakaona anga akushaya
chekutaura nekunyara.

"Mapics aya ndeekugadzirira ini


handiite zvakadaro amusi kuzvionawo
here" said Tasha.
"Ko mamessages ndeekugadzirira futi
here ko idzo hadzisi number dzako"
said Sekuru.

"A a a ha.a.a.d..zi" aikakama Tasha


haana kupedza kutaura agamwa
nasekuru.

"Wakatanga kukama rini taura


zvinozwika toda kunzwa nyaya yako
mhani' said Sekuru.

"Hadzisi number dzangu pane


zvakaitika chete apa I think someone
aka hacker number dzangu" said
Tasha.
"Hooo kana wati hadzisi dzako
pakanaka mira tione kuti ndedzani Lee
fona kana kudzitarisa paecocash" said
sekuru.Ndakadzitarisa dzikabudisa zita
raTasha chaiye.Ndakafona fon
yaTasha ikarira yaitova mubraa make
ndakaitora.Yanga ine password
ndikamuti aise akaramba akazoisa
ndambomutuka.Takavhura foni yacho
tikangoona mamessages aitaura
naMike ndiwo pane mamwe
manyowani aitaura naTafi vachitaura
nezvekurara vese
kwavakaita.Ndakasvotwa kuti akuita
chihure achigara pamba pedu.

"Saka chisikana waitiita mapenzi


uchiziva kuti nhumbu yaunayo haisi
yaLee siya mabasa ako utendeuke
uchiri mwana mudiki chaizvo" said
Sekuru.

"Ndakakuudzai mukandirambira manje


mazviona mega ngaatobva pano
izvozvo tisati tabirwa zvinhu zvedu"
said gogo.

"Satan wajaira kuronga kuda kubira


mwana wangu mari kamuroyi kutodza
mai ibva pano ndisati ndakurova
izvozvi" vakadaro mai vangu
vachipushira Tasha kunze.Iye Tasha
wacho anga akunzwisa tsitsi
achichema dzihwa richibuda
unozomuziva kuti ndiye uya
wekungwarisa here.Hembe dzake
dzakangoiswa mukachangani bag
kakauya nako.Ari Cindy aitoita
kuonererwa achitopa Tasha mambama
kumusana.

Kuenda kwaTasha kwakafadza vanhu


pamba kunyaya mai vangu.Mudhara
vanga vari ziii apana chavakambotaura
havo ndakashaya kuti chii chaivanetsa
apanawo akavabvunza munhu wese
aiva busy kuzvifarira.Hilda
ndakatomuudza pafoni akafarawo musi
uyu ndakarara hope
dzeumambo.Hondo yaTasha ndapedza
nayo ndatarisana neyaClever
yekurwira Hilda.

Ndakaenda kushop kwaHilda


ndikaswera naye ,Clever akabva
asvikawo takabva tanyarara zvedu.

"Hilda wafunga kundiitisa ka kuda


kundiita pain killer" said Clever.

"I hate you Clever,you are useless


wanzwa usandinyaudze" akadaro Hilda
achipindurudza maziso ake kunga
karwaivhi.

"Hilda chero ukandituka sei i don't


care just know uchava mkadzi wangu
uchava mai vevana vangu very soon"
said Clever ndakabhowekana.

"Hey blaz siyaiwo bbe rangu kana


musingadiwe hamudiwe apana
chochinja" ndakadaro.

"Mr Lee mashoko angu aya kava


kechipiri ndichimataura rangarira
hondo yawatanga pane achafa
pahutatu hwedu naHilda wacho" said
Clever akabva atobuda.

Zvehondo ndaisazvida yaitova mhepo


yakutosimuka kuda
kundirwisa.Ndakaudza Hilda kuti
ambosiya basa tiende kure kuri safe
akaramba akati apana chandinotya
Mwari vanondichengeta.Ndanga
ndakutya kuti Clever achanditangira
kurova poto pana Hilda ndaifanira
kuuya kuirova nhasi chaiye
manheru.Akaita nhumbu yangu Clever
anobva aita give up chete.Hilda andina
kumuudza zvandanga ndamufungira
asi ndaisaita hutsinye nekuti Hilda
wacho ndichangomuroora.Ndakaswera
naye tichiudzana nyambo
ndakazoenda kumba zuva
radoka.Ndakapfuura nekugarden
kwanga kuna mhamha.
"Mhamha munozoda nezvegarden
aaah"

"Ehe munondivaraidza zvisingaite kare


kangu ndairima unabvunza baba
vako"said moms

"Hooo sei mudhara vasina kutaura


something nezuro paye"

"Zvababa vako usazvitevedze


mwanangu ndakavabvunza vakati
handina kufara nemadzingiro amaita
Tasha vanoita kunga vairarawo
naTasha ameno asi ndiri kufara kuti
Tasha haasisipo chete" said mai
vangu.

"Okay moms" ndakadaro


ndikavabatsira kudiridza vaibvunza
nezvaHilda.

"Lee ndakuda tuvazukuru ndoda


uroore Hilda ndiye wandoda vamwe
avo handitambire" said moms.

"Yaaa ndiye wandikuda kuroora asi


dad avamufarire ameno zvoitwa sei"
"Kusamufarira kwavo hatinei nazvo
sekuru vakamufarira wotoroora" said
moms.

*HILDA*

Zvakaita Cindy zvakandibhowa


kunyomba nekutuka Petso.Petso
kupfimba kwaakaita Cindy apana
chaakatadza Cindy aifana kumuramba
zvakanaka kwete
kuzomudzikisira.Cindy kutoita kunga
ndiye ega atanga kupfimbwa hanzi
Petso haisi type yangu haana future
irombe uya dai petso aizvinzwa aifeeler
sei.Aitoseka Petso zvaindisvota.Mai
vangu vaindiudza munhu haasekwi ari
mupenyu.

Munhu haasekwi ari mupenyu.When


you see a man walking respect that
man despite his/her current
status.What you see is not what he
is.What you know about him is not
her/his end.Every man's destiny is in
the hands of the Lord.

Unogona kuona munhu kunge haana


future but kuna Mwari kudenga
anomutsa mabhonzo akaoma.Tina
Mwari anosimudza marombe kubva
muguruva.Vaunoshainira nhasi
mangwana uchazonyara kuenda
kwavari kana vasimudzirwa naMwari.

As long munhu achiri kufema,


usamuseka hupenyu hwake hausi
mumaoko ako.You are only seeing a
challenge upon that somebody but
challenges have expiry dates.Aizve
you will be shocked one day it's only a
matter of time.Ukamuona achiita kunga
apererwa asisina zano as long achiri
kufema usamudzikisira.

Itsika yevanhu kujudger munhu


maringe nezvinoonekwa.Kana Mwari
vasekerera Mephiboshet anoswera ava
kupalace.Kana Mwari vasekerera
Hannah unoona ava kuyamwisa.Kana
Mwari vasekerera Joseph unoona ava
Governor.Kana Mwari vasekerera
Leeroy unoona atenga imba nemota
nekusimudzira mhuri yavo
yaishoreka.Kana Mwari vasekerera
yekuti wakazvarwa muhupofu inozova
history.
Waunotsvinya iyeye uchazomuda
mangwana.Create a good relationship
with everyone.You don't know what
tomorrow holds.That person next to
you might seem hopeless today but he
gonna be your way out tomorrow.

Ndakaudzawo Cindy mashoko aya


akanzwisisa hake akazvituka
nezvaainge aita.Chandakafarira Cindy
akabvuma kutsiurwa dai ari mumwe
musingachapindirani.Umwe haadi
kuudzwa kuti uri kutadza anenge
achingoda kunzi zvaari kuita
zvakanaka.Cindy akati aisada hake
Petso andina kupikisana naye asi
mumoyo ndaiziva kuti aimuda
kungonyara kuzvitaura chete.

Clever ndakamutuka mushure


mekunga auya achida
kuonererwa.Zvake zvekuda kuti
tyisidzira achiti pane anofa ndezvake
izvo ndoda kuzviona.Lee akanditi
ndisiye basa ndakaramba nekuti
Clever aizofunga tamutya kana iri
hondo yataura ngaiite Mwari vangu
vanondirwira.Inga wani zvakanyorwa
mubible kuna Jeremiah 1 vs 19
*Vacharwa newe asi havazokukundi
nekuti Jehova Mwari wako ndinewe*
Manheru ndakashamisika kuona Lee
ndakashaya kuti aidei.

"Honey ndatadza kurara ndichikufunga


ndiri kurara pano nhasi" akadaro Lee
akarova serious.

"Aaah Lee hazviite ndine gumbezi 1


pano"

"Tofunga tese iroro apana


zvandokuita" said Lee akanditarisa.

Kutaura chokwadi ndaitya nekunyara


mukati ko akazondiita zvimwe nhai.Mai
vangu vakanditarisa vakaona ndisina
kukwana ndozodiii vanozofungei
neni.Lee akabvisa hembe kusara
nekaboxer akapinda mugumbezi ini
ndakaramba ndakamira
ndaitya.Ndakazoisa pillow pakati
ndikapinda mugumbezi.Lee akatanga
kubvisa pillow riya akaswedera pedyo
neni akandimbundira ummmm.

Lee akatanga kundibata muviri vangu


akabvisa zvese zvandanga ndakapfeka
ndikasara ndava musvo.Ndainzwa
muviri wangu kunga uri kufambwa
nemasvosve.Aibata mazamu angu
zvainaka nekakurwadza mukati sezvo
yanga iri first time kubatwa
nemkomana.Aita achimayamwa
akadzikisa ruoko kupunami kwangu
kwanga kwatotota kare ummm ndanga
ndakunzwa kuda panguva iyi ndaion
sekunga andinonokera.Ndanga
ndakavhara maziso angu ndaitozviona
sekunga ndiri munyika yangu
ndega.Lee akaramba achitamba
nemuviri wangu zvekuti ndanga
ndadhamba nemafeelings
ndainyatsonzwa kuda his dick inside
my cookie.Pakaisa chinhu chake
akuda kuchiisa ndakajamba kubva
pabed ndanzwa pain ndakazvitarisa
ndikaona asina zvaanga ati aita.
"My strawberry huya andikurwadzisa
kani"

"Lee I'm not ready"

"Why bbe usandidaro unoda kundisiya


ndiri pama1 here"

"Lee handidi hangu no no" ndakadaro


ndakuchema ndanga ndakumutya futi
Lee wacho.Ndaitarisa makuriro akaita
chinhu chake kuti chese icho choda
kuzopinda mandiri ndainzwa kutya apa
ndaitoremara chete.Akandimbundira
akandinyararidza akandipfekadza
night dress rangu.Takabva tarara
ndanga ndakaisa musoro pachest pake
aindiudza nyaya hake.Takanonoka
kurara kana ari seni ndaitya kuti Lee
anogona kumuka akandistonya
ndakarara.Pandakamuka ndakaona
Lee atomuka hake apa ndainyara
kutarisana mumaziso naye.Padoor
pakabva paita knock ndakanzwa riri
voice ramai vangu ndakanzwa
mudumbu

Drop your comments please


*WATCH OUT FOR CHAPTER 24*
[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 24*

*#HILDA#*

"Iwe Hilda vhura door ndiani waunaye


imomo"vakashevedzera mai vangu
ndakatanga kudikitira ndakushaya
zvekuita.Lee anga akungotenderera
panzvimbo imwe chete.Ndakazofunga
kumubudisa nepawindow.Ndapedza
ndakavhura door mama vakapinda
vachitarisa pasi pebed vakatarisa futi
muwardrope ndakashaya kuti
vaitsvagei.

"Ko iyo ifoni yaani wanga unani muno"

"Ah ndeya vamwe mai vakumbira


kuchargisirwa, ndiri ndega ini"

"Hilda usandiita kunga mwana mudiki I


know wanga une mkomana muno
aendepi taura ndisati ndakurova"
vakadaro mai vangu ndaitozvishaya
kuti vaudzwa nani kuti ndine mkomana
muno.Ndakarambisisa kusvika
vanditarisa vakaona ndichakakwana
vakabva vadzikama.
"Mhamha why you don't trust me,
munoti ndikaita mkomana ndingatadza
kukuudzai here but azvisi fair"
ndakadaro ndichinyepera kunzwisa
tsitsi.

"Sorry mwanangu kungoti handidi


newe, ndoda uroorwe zviri pamutemo
udadise zvekuti vavengi vanyare
murume anenge akuroora ndiye
anofana kutora humhandara hwako
mwanangu"

"Hoooo okay momy ndanzwa"


"I know zera rako wakupfimbwa
nevakomana even nevarume vevanhu
asi chenjera mwanangu usabvuma
kubatwa batwa muviri wako ndapota
hangu" vakadaro mai vangu.

"Ukaita mkomana unondiudza wouya


naye kwandiri ndimuone wanzwa
handidi zvekunyadziswa ini ndoda
Elena adzidze kubva kwauri"

"Okay mom handikunyadzisei ndane


mkomana will tell you" ndakadaro
vakabva vabuda kuenda kumaprayers
avo emakuseni.
Ndakagara pabed pangu ndikafunga
mashoko andiudza
mhamha.Ndaisafana kuvanyadzisawo
ndoda kuita zvinhu zvoita vafare.Asi
kutaura chokwadi Mwari
ngavandiregerere pakunyepera moms
vangu kuti handina
mkomana.Zvondiremera kuudza mai
vangu handizive vanozvitambira sei,
dai vari tete zviri nani.Manje ndina tete
mboko chaiyo.

Ndakavhura shop yangu ndikatanga


kutengesa.Elena akabva asvikawo
ndakaramba ndakamutarisa.Anga
akafanana namhamha zvisingaite
nehutsvuku hwacho asi vakasiyana
pakuti Elena anotaurisa mhamha
munhu asinganyanyi kutaura.

"Sis nezuro ndakaona Clever ari


pagate aiita kunga pane chaiisa ipapo
ameno"

"Aaah ukutaura chokwadi here iwe"

"Ehe ndikutaura chokwadi sis asi


mhamha handina hangu kuvaudza"

Zvakandinetsa kuti Clever aidei pamba


pedu obvious pane chaakaisa chete
pagate pedu.Ndakasiya Elena mushop
ndikamhanya kumba ndakasvika
kutsvaga pagate paya asi apana
chandakaona ndakaona kunga Elena
aida kutamba nepfungwa
dzangu.Papaya ndakazoona kamuti
kakaita red kakasungwa nemucheka
weblack.Ndakarohwa nehana
ndichiona izvi ndakadeedza mai vangu
vakakatora vakakapisa.

Mhamha vakandibvunza kuti ndakaona


sei ndakavanyepera kuti ndakarota
munhu aiuya kuisa chinhu ichi pagate
asi andina kumuona chiso
chake.Vakabva vati kana ukarota hope
unouya uchindiudza
todzinamatira.Ndakadzokera
ndikaudzawo Elena mashura andaona
akavhundukawo.Ndanga ndakutya
kurara ndega Elena ndakamuudza kuti
tirare tese akati ndoda kuenda kuna
mama.Aindibhowa aita kunga achiri
kuyamwa pese anenge achingoda
kugara pana
mhamha.Ndakazomunyengerera
nemazep ndokubvuma kwakaita dai
zvisiri izvozvo akatoenda.Tisati tarara
takanamata zvakasimba ndonguva
yakasvikawo Lee.

"Hesi bamkuru Lee muri kuendepi


manheru ko mukabatwa nemabhinya"
said Elena.

"Kutaimira chimoko changu ichi nhasi


handina kumbochiona"

Elena ameno akaremerwa nenyaya


here akaudza Lee zvemushonga
wekuiswa pagate uya apa ndaida
kumuudza ndega.Lee akavhunduka
nekutya mkati.Anga asina kutarisira
kuti hondo yacho ichange ine
mishonga mukati.

"Hilda ndakakuudza kuti ngatiende


kure" said Lee
"Handiite zvakadaro ndinenge
ndakusiya mhamha naElena vari
pama1"

"Dai mese mune kaspirit kana mhamha


maikunda manje makaneta kuita
mbodza pamaprayers kana ari sasis
Hilda hasha too much manje gore rino
dzopedzwa naClever" akadaro
achiseka.Elena aionererwa naLee
ndozvandakaona.Elena ari pane vanhu
anoonererwa.

"Ngakanyarare ndokurova wanzwa


kushata kutodza tete Kundai"
ndakadaro

"Kana muchiti tete kundai vakashata


zvoreva kuti nemiwo makashata nekuti
makafanana ini ndakanaka futi
ndakafanana namama vangu"
kakadaro ndoshaya kaimbofunga nepi
kamunhu aka.Lee ndiye akazondidzora
ndaida kukarova.

"Musatyisidzirwa ndoda kuti nhasi


pakati pehusiku tiende tinovhisa
mavhiri emota yaClever yaanovhaira
nayo tobva tabvisa nedoor rake
aonewo kuti vanhu vari kudhila navo
havana kuvata" kakadaro Elena ,Lee
akatsigira zvataurwa ini ndakaramba
ndakaona zvisina musoro zvaizopinza
muna taisireva nekuti ana Elena ava
vanotaura vasina kufunga.

*LEEROY*

Pandakabuda nepawindow ndakarova


bara ndakananga kumba zuva rese
andina kumbobatika ndaitya kuti
pamwe Hilda asara akataura kuti anga
aneni.Ndakazoenda kunomuona
manheru ndaida kutora foni yangu
yandasiya ndakasvika Elena
karipo.Ndakazorohwa nehana
ndichinzwa nezvemushonga waiswa
pagate pana Hilda ndaishaya kuti aida
kuuraya here or aida kuchinja pfungwa
dzaHilda.Ndakatoona kuti ndikaita
zvekutamba ndotorerwa bbe through
mishonga iyi.Pakazotaura Elena achiti
tirongere Clever ndakamutsigira
ndakaona iri good point ndaisada
mudeuke ropa asi ndaida
kumurwadzisa pamoyo chaipo
Clever.Hilda takamunyengerera
akazobvuma hake.

Ndakaenda kumba ndikatora box


rematools angu ndikamaisa mumota
yaCindy yeblack.Ndakatora matrack
suit angu eblack ndikaenda nazvo
ndikapa Hilda naElena vakapfeka.Time
dzasvika ndakamutsa mota ndakusvika
ndikadzima malight ndikambomira
zvishoma ndikazotanga kufamba lucky
kwanga kune mwedzi.Ndakamisa mota
nechekure ndaiona Hilda aikwata
ndakapinda muchivanze Elena aitevera
kumashure kwangu.

Takasvika pamota yaClever tikabvisa


mavhiri ese taka eactor pachimbavha
chaipo.Takamatakura mavhiri
tikamaisa mumota.Pakubvisa door
pakanetsa takazvitadza tikasiyana
nazvo asi takati next time ticharibvisa
chete.Takuda kuenda Elena akabudisa
guri rake akamonera jira reRed
akaribaya netsono nhatu akarinyika
ameno zvinhu zvered handina
kumubvunza hangu akazviisa padoor
paClever.

"Ndazviitira kuti atyewo hanty ndizvo


zvakatiitira"said Elena achiseka.Hilda
aiva ari ziii kunga asipo.Takanoviga
mavhiri kusingasvike vanhu.

"Haaa tamugona ndaida amuke


achiona imba isina door" said Elena.
"Taurai henyu ninez ndaida amuke
achiona masofa nezvimwe zvinhu zviri
panze" ndakadaro

"Amana noise guys kunga muri


kutaura zvine musoro" said Hilda.

"Asi unoda Clever kani sei usiri kufara


nesu" ndakadaro

"Lee ndoda iwewe chete asi ndikutya


kuti togona kubatwa tosungwa"

"Apana ationa tichiba zvimwe zvinhu


zvinenge zvida evidence atimbobatwi
isu" ndakamusimbisa akagumisira
akufarawo nesu.

Ndainzwa kufara kuti Clever


tamupedzera nekuti mavhiri iwayo
achanetseka kumatenga nekudhura
kwaanoita.Kwakaedza ndikaenda
kunoona Hilda naElena ndaida kunzwa
kuti Clever amuka sei.

"Hanzi Clever abudisa misodzi achiona


mota yake isina mavhiri kuzoti paona
futi guri riya rakaputirwa mucheka
wered afenda akamuka adirwa mvura,
vanhu vari kufara vari kupa sando
kune vakabira Clever nekuti anozviita
haabviri" akadaro Elena ndaishaya kuti
dotcom rese anga ariwanepi.Akati
audzwa neshamwari yake Faith
inogara panext paClever
ndakasekerera ndikabvuma kuti apa
takamugadzika mudish rine mvura
inopisa.

Vanhu vaipinda mushop vaingoti gona


ana gona wakewo sando kune vakabira
Clever .Ndipo pandakaona kuti Clever
aisadaiwa nevanhu nekuda kwehunhu
hwake.

Clever takamuona achienda pabutcher


kunotenga nyama anga asina
mufaro.Paakandiona akauya pandiri
akatanga kupopota ndakaona kuti aida
kupedzera hasha dzake
pandiri.Ndakaramba ndakanyarara
akati kana uriwe wakatuma vanhu kuti
vandibira mira uone hako uchaona kuti
Satan ari nani pane inini.Akaenda hake
nenyama yaiva mumaoko.

Mazuva akafamba nyaya yaClever


yekubirwa yati zii rimwe zuva manheru
takaenda kumba kwaClever tikaona
iyazve mota yane mavhiri
manyowani.Takamabvisa ese
pakubvisa door pakanetsa nekuti taisa
anzwe any sound.Takaribvisa
tikapinda mumba make ndakaona
bedroom rake raive kure nedining
takabvisa masofa neTv ndingati zvinhu
zvose zvaiva midining tikazviisa kuseri
kwemba asi door takaenda
naro.Takasiya tanyora kapaper kakanzi
*Don't mess with Osama gangsters
unofira mahara ukada kuita dzungu
rekuda kuti tsvaga tokuviga uri
mupenyu* ikabva yanzi from King
B.Osama.Takamuka tichinzwa kuti
Clever akafenta akadirwa mvura
akatadza kumuka.Takabva tadzosa
mavhiri ake manheru iwayo kwakuda
kuedza.
*Thanks nemacomments enyu*

*WATCH OUT FOR CHAPTER 25*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 25*

*#CLEVER#*

Ndichimuka ndakashamisika kuona


mota yangu isina
mavhiri.Ndakarwadziwa apa mota
yangu ndaiida sei mavhiri acho
ndomatenga sei nemadhuriro
anoita.Mishonga yangu ndakaona kuti
yaisashanda ndaifana kudzoka kuna
Sekuru Wilo nguva
ichiripo.Ndakazotumira mamwe
mavhiri kuSA ndikaisa pamota
yangu.Mbavha idzi ndakambofunga
kuti pamwe dzaitumwa naLee asi
ndakazviramba vanhu vakandibira
vanenge vasiri vemuno chete nekuti
vanhu vemuno vaindikwata.

Pandakapepuka ndichiona door pasina


ndakaita kunga ndiri kurota ndikaona
imba yava ground ndakabuda misodzi
kutarisa mota wanei mavhiri
manyowani apasisina ndakarwadziwa
ndikatofenda.Ndakazomukira
kuchipatara sis vangu Mai Mike
vakandiudza kuti zvinhu zvakaiswa
kuseri kwemba vakandiratidza
katsamba.Ndakatanga kuhuta
ndichivenga tsamba.Apana munhu
wandaikwata asi Osama Gangsters iri
riri dangerous.Ndakaramba kuti nyaya
iiswe kumapurisa ndini ndaizofa.

Ndakadzoka kumba ndikaona mavhiri


angu ose avapo ari pachivanze
ndakatya nazvo.Ndakagara pasi
ndikatanga kufunga vanhu ava vanga
vakanyatsoita sei vanoshandisa
mushonga chete.Ndakafonera boys
rangu randoshanda naro
rikandisimbisa richiti mira tivataimire
vanhu ava.Ndakaramba kuti
vasavatsvaga ndaitya kufa asi vakaita
nharo.Vaiita mazuva vakahwanda
vachiti Osama Gangsters ichauya asi
haina kubatika.Vakabva varova pasi
asi vakasiya vati kana pane
waunofungira unotiudza.

Hilda ndaimuda nemoyo wese asi


aisazviona.Lee anenge akashandisa
mushonga pamusikana chete
handimunzwisise vanhu vakaromba
vanonetsa.Ndaifunga kurara naHilda
zvechisimba oita nhumbu yangu
haizondiramba.Akaenda kunotaura
kumapurisa habude bhobho ndoita
itsakatike nyaya yacho.Plan iyi
haimborambi chete.
Ndakaenda kushop kwaHilda manheru
ndikanoka akavhura.

"Tokubatsirai nei" akadaro


Hilda.Ndakatoti zvaita ndakamupusha
ndikapinda ndikashamisika kuona
muna Elena.Zvandaida kuita zvakabva
zvatowira mudondo.

"Buda muno iwe muroyi wanzi pinda


muno ndiani" akadaro Hilda
achipopota.

"Hilda ndauya kuona iwewe please


ndinzwisisewo ndokuda"

"Handidi kunzwa matsvina akadaro


buda muno iwe"

"Hilda usandidaro moyo wangu


wakaperera pauri dai
wandinzwisisawo,Lee akakushandisira
mushonga chete haakude ndakanzwa
achiti ari kuda kukuurayisa kuti
mabusiness ake afambe"
ndakadaro.Elena kakatanga kuseka
ndoshaya kaisekei ipapa.

"Siyana neni uchafa negodo rako iroro


apa hauna kunaka futi my lee is cute
and anochena kukupfuura but
haazviratidze hake" akadaro Hilda.

"Sis Hilda mazvinzwa here kuti King


Osama is back ,kana Clever achinetsa
ngatifonere King Osama havana
munhu wavanotya vaya
vakambopindira President pastatr
house ka vaya" akadaro Elena
achibaya kafoni kake hana yangu
ikatanga kurova.

"Vafonere uvaudze kana iri mari


ndovapa hangu nekuti Clever
andinetsa" akadaro Hilda.
Elena kakabva katofona ipapo hana
yangu ikatanga kurova nekutya asi
ndaisada kuvaratidza.Ndakabuda ndiri
bara ndikarongedza zvinhu zvangu
manheru iwayo ndikananga
kwaMutare.

*CASPER*

Nhumbu yaTariro yanga yakura zvekuti


anytime chaigona kutochaya ndaigara
ndiri pedyo naye.Nguva yakakwana
ndikamhanya naye kuchipatara
akabatsirwa nemwana mkomana
ndakafara zvisingaite.Mwana uyu
akaunza mufaro kwandiri kafirst born
kangu kwete zvana Lucy zvekuda
kundichengetesa vana vasiri vangu
Hilda naElena.

"Ndoda mwana wangu achengetwe


namai Hilda chete, andidi umwe
munhu asiri ivo abate mwana wangu
please" akadaro Tarie airatidza kuti
arikurwadziwa.

"Zvadiii mwana tochengeta tega mai


Hilda vapinda papi i hate her andidi
nekumuona"

"Casper please zvandataura


wazvinzwa ndaishuwira
kuchembedzana newe asi zvaramba"
akadaro achitaurira pasi.

"Aizve asi uri kuda kunditiza here


Tarie"

"Kundai andidi kumuona parufu pangu


ngaasabata mwana wangu, ndipe
mwana ndimubate kekupedzisira"
akadaro ndakashaya kuti aiedza kuti
chii chaizvo.Ndakamupa mwana
akatanga kubudisa misodzi akatarisa
mwana.

"Akafanana newe ndichamupa zita


rako Junior Casper, mwanangu sorry
andi.." akabva atanga kukosora
ndakadaidza manurse vakati ndibude.

Papera kanguva ndakaudzwa kuti


mkadzi wangu ashaya ndakatadza
kuzvitambira ndakachema.CJ
akutokura asina mai here zvaindibata
bata.Doctor vakandiudza kuti afa
nechirwere chemoyo asi ndakashaya
kuti akaedza kuti chii pakati Kundai
andidi kumuona parufu pangu.
Hama dzaTariro dzakarwadziwa nekufa
kwake.Vanhu vaitaura zvavanoda
vamwe vaiti ndini
ndakamuuraisa.Parufu ndakatenga
zvese zvaidiwa.Kundai aivawo parufu
ndaiona airwadziwa.Coffin
rakazoramba kusimuka takuda
kunoviga takashaya kuti
zvairevei.Takaedza kuribatirana
takawanda asi rakamba kusimuka
kunga rakaiswa zisimbi mukati.

Pakaita vamwe mai vakati Kundai


ngaabve pano ane chekuita nekufa
kwaTarie.Iye Kundai akada kuramba
akazobvuma akaenda hake.Kubva
kwakaita Kundai zvinhu zvakasara
zvichifamba zvakanaka.Ndakadaidza
Kundai kuti andibatsire kuchengeta
CJ.Mwana iyeye ainetsa hake aigona
kupedza husiku hwese achichema.Ari
mumaoko aKundai aita kunga aiswa
muminzwa aichema zvekunga
kasvikirwa.

Ndakafunga zvekuenda kuna mai Hilda


zvakataurwa naTarie mwana anga
anditambudza asi Kundai akaramba
kuenda.Ndakaudza mkoma vangu
vakati vaizondiperekedza.Takapinda
mumota tikaenda CJ kakati katanga
kuchema ndikakapa mukaka
wemubottle kakaramba futi
ndakashaya kuti chii chiri pamwana
uyu.Takasvika Ba Kevie vakadzika ini
ndaimbonyaradza kaCJ pandakadzika
ndakabva ndatarisana naMai Hilda.

Ndakanzwa hana yangu kurova apa


anga andinakira sei ko kuzobatana
ndofana kubva ndaseva
chete.Takaramba takatarisana
ndakaona Lucy akubudisa misodzi
ndakafunga madzingiro andakamuita
ndanzwa makuhwa kuna
Kundai.Kundai anga akavenga Lucy,
mai Hilda vaiedza nepese kuti
vawirirane.
Ndakanzwa kurwadziwa sei ndisina
kunzwisisa mkadzi wangu.Misodzi
yangu yakatanga kubuda ndakaona
Lucy anga achine ring repamuchato
wedu.CJ kakabva katanga futi
kuchema ndakaedza kukanyaradza
kakaramba Ba kevie vakakatora
vakapa Mai Hilda kakabva katonyarara
kakatanga kusekerera kachitambisa
tumaoko.

Takapinzwa mumba manga musina


zvinhu zvakawanda asi muri
smart.Lucy akanditambidza CJ achida
kutigadzirira chikafu asi kakatanga
kuchema.Akakatora akabuda nako
ndakaona CJ aida mai Hilda.Takadya
chikafu apa chainaka sei asi ndainzwa
kunyara zvangu.Pakabva papinda
kamusikana kakafanana naLucy
ndakabva ndaziva kuti ndiElena.Mwana
wangu anga akura asi haana kundiziva
ndakagumisira kumuona achine
3years.

"Dad mandivigirei paya ndakati ndoda


malays"kakadaro Elena kachitaura
namkoma vangu.JC kanga katorara
kari mumaoko amai Hilda.

"Sorry mwanangu ndazvikanganwa


tauya kuno tichimhanya mhanya
ndokupa mari wozotenga" said ba
kevie.

"Okay ko ava ishamwari yenyu


here,aaah vakafanana nasis Hilda
kudaro" akadaro akanditarisa.

"He is your father Elena" vakadaro


mkoma.Elena kacho kakatanga
kuseka.

"Vauya kuitei pano asi ndivo vane


kamwana ako here" mwana aitaurisa
kufanana naKundai.
Ndakazvituka mumoyo ko sei ndisina
kuisawo support pavana vangu izvozvi
avachadi kundiona.Ndakatsikitira pasi
ndakashaya chekutaura misodzi
ikabuda yega.

"Ko zvaita sei amupindure mwana


here"said mkoma vangu.

"Ndazvishoora kuti dai ndisina


kuteerera zvakataura Kundai
akandiparadzira marriage yangu
zvinondirwadza vana vangu vakakura
vasina kumbowana rudo rwababa"
ndakadaro.
Pakabva papinda musikana ati kurei
uyu ndakamuziva
ndiHilda.Zvandatoyarusa akomana uyo
anga akafanana neni kunaka
kwacho.Akasvikachimbundira mkoma
vangu ini aitoita seasina kundiona
kana kundimhoresa haana.

Akatanga kupopota achindituka hanzi


Casper iwewe hauna kukwana buda
muno aitaura nezita rangu
zvakandirwadza akadzikamiswa
naLucy.Ndakakumbira ruregerero
kuvana vangu Elena kakandiregerera
asi Hilda akabva atobuda asina
chaataura.Lucy akandiregerera asi
akati haachadi zvekudzokerananeni
aisada aida kutosaina madivorce
papers.

Ndakarwadziwa nekuti ndaida


tidzokerane asi akaramba hake.Ba
Kevie vakaenda ndikasara ndaida
nguva nevana vangu.Pakurara
ndakarara mune imwe room
hangu.Lucy ndakamuudza
zvakataurwa naTarie akaramba hanzi
zvichengetere mwana wako
wega.Ndakakumbira Elena ndiye
akazoita mai vake vabvuma ndakaona
Elena aifarirawo CJ.
"Asi Lucy usandidaro shaa ndokuda I
know ndakatadza yaiva mweya
yetsvina" ndakadaro
ndichinyengerera.

"Casper wakandiita benzi dai waiziva


ndakatambura nevana vako ava "

"Ndikuzvinzwisisa ngatitange patsva


mkadzi wangu kudzokerana kwedu
kuchaita Hilda andiregerewo"
ndakadaro

Pagate pakabva papinda umwe


murume ndakazoona zvaari sahwira
wangu Freddy.Ndakashaya kuti
aidei,ndakatarisa Lucy ndikaona
akanditarisawo.Ini ndakatofunga kuti
vaviri ava vanenge vanodanana.Freddy
wacho akatoshamisikawo achindiona.

_Clever akatotiza_

_Casper achaita sei apo


vachadzokerana here namai Hilda_

_Hilda acharegerera baba vake here_


*WATCH OUT FOR CHAPTER 26*
[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 26*

*#MAI HILDA#*

Chinhu chimwe nachimwe chine nguva


yacho yemagumo ndaizviziva kuti
Casper achadzoka chete.Pese
pandainamata ndaisakanganwa
kumunamatirawo kuti achengetwe
naMwari.Asi ndakafara kuti akaona kuti
aiva ndiKundai neproblem kwete
inini.Ini handichengeti chigumbu
ndakamuregerera kare ndaiziva
imweya yetsvina yaitonga maari.Hilda
ndiye chete akaramba kureregerera
baba vake ndaizvinzwisisa airwadziwa
hake.Pakasvika vaMaviza
ndakabhoekana
zvisingaite.Vakamhoresana naBa Hilda
ndakatoona vanhu ava vanga vagara
vachiwirirana.

"Casper wandishamisa uri kudei pano


sahwira" said VaMaviza.

"Aaah wanga usingazive uyu makadzi


wangu ndanga ndauya kumuona ndini
baba Hilda vacho"akadaro Ba Hilda.
"Are you serious asi ishuwa
wakafanana naHilda ini andichagari
rega ndiende" vakadaro VaMaviza.

"Iya kuendepi futi manga mauya kuona


ani "

"Apana kutofamba ndiwo maraini angu


ka ano"

"Baba imi musanyepe nhai zvenyu Ba


Hilda ,baba ava vaindiona sehure
vaindipfimba apa vane mkadzi wavo
akatonaka ibvai pamba pangu
munonyadzisa mai Lee ndoda
kuvaudza chete" ndakadaro

"Freddy pamkadzi unofa andidi


kunyepa stay away from her
please"said Ba Hilda.Vamaviza
nekunyara vakaenda vasina
chavataura rume repi risingagutsikane
nemkadzi wake apa mai lee vanga
vakanaka wani.Munhu wemurume
haagutsikane chero akaita mkadzi
akanaka sei anongohura maybe zvinhu
zvekubiridzira zvonaka ameno.

Takasara tichitaura naBa Hilda


vaindinyengerera kuti
tidzokerani.Murume wangu ndanga
ndichiri kumuda ndakabvuma
kudzokerana naye akafara
ndakasimudzwa ndikatsvodwa
ipapo.Kiss iyoyo ameno
ndakagumisira kuinzwa gore
ripi.Takaswera tichifara semhuri kunze
kwaHilda aisavapo.

"Dad ndoda mundidzidzise kudriver


ndakanzwa mune mota dzakawanda"
akadaro Elena achitamba naCJ.

"Okay my daughter you are free kuuya


kudriver zvinhu zvangu ndezvenyu
vanangu"
"Hiiiii really thanks dad saka tete
Kundai havana kuuyawo nei ndoda
kuvaona zvavakaita handivazive ine"
akadaro

"Aaah vanga vari busy next time


pandiri kuuya ndichikutorai uchavaona
hake ukaneta"

"Saka izvozvi amusi kuda kuenda nesu


nei hazvisi fair dad" mwana aitaurisa
hake iyeye aah ndakabvuma.

"Mama vako ndovaramba ndaida


kuenda nemi mose manje Hilda haapo
hazviite" said ba Hilda.Ndanga ndiri ziii
ndakatarisa baba nemwana vaitaura
havo.

"Hilda anonetsa dad musiyei uyo hanty


aramba kumuregerera here" akadaro
Elena.

"Hilda kudiii haugoni kuti sis here,


ndoda munhu ane respect Elena
wanzwa here"

"Hiiii siyaiwo mwana wangu" akadaro


Casper achisimuka neElena.Vakabva
vatobuda ameno kwakaendwa.
Casper akangoita mazuva matatu
achibva atodzokera kubasa pamazuva
iwayo Hilda kana kumbouya kumba
zvake.Takasara nekaCJ kaitovaraidza
kaisanetsa hako.Kutown taizoenda
hedu but not now kalife kekumusha
kaindifaira hangu.Ndairwadziwa
kupesana nevanhu vandonamata navo
nekuti vamwe vacho ndivo vakaita
ndikure pamweya.Sezvinei murume
wangu adzoka ndoita zvido zvake asi
ndoda kutanga ndataura naHilda
anzwisise first.
*#HILDA#*

Kutaura chokwadi handina kufara


ndichiona mudhara ari pamba
ndakashaya vaidei ndakaona moms
vakatobata kamwana.Ndakavapopotera
vakaedza kukumbira ruregerero asi ini
ndaitoona kuti sorry yavo yaisabatsira
kwandiri.

Elena akavaregerera hake hapana


chainyaiziva pakaitika drama rese anga
ari mucheche.

Ndakabuda ndikaenda kushop kwangu


ndakapedza madays
ndisingasvikeko,ndakazosvikako.mush
ure mekunge ndanzwa kuti moms
vakatodzokerana namudhara.Ndaiona
kuti mudhara vaitora advantage yekuti
mama is too soft nenyaya yekuti
munhu anonamata.

"Mhamha ndosaka vanhu


vachikujairirai muri too soft zvobhowa
vhurai maziso muri kuitiswa
namudhara ari kungoda muchengete
mwana wavo chete,dai vaikudai
vangadai vakauya kare pasati pane
kamwana aka" ndakadaro ndikabva
ndapihwa mucheka wembama.
"Andidi zvekushungurudzwa nemwana
wandakazvara, kana usina zvekutaura
nyarara wanzwa here I know you hate
your father asi apana chochinja
ndibaba vako"

"Whatever ndibaba vezita he is


useless nxaa saka ndizvo
zvamungandirovera" ndakadaro
ndanga ndatsamwa nekurova
kwavanga vandiita.

"Who is useless nhai sis Hilda


zvakashata zvamuri kuita ndimi
makutidzosera kumashure toda
kuenda kutown isu ndoda kudriver
mota dzadaddy vangu nekuona tete
Kundai" akadaro Elena.

"Futsek ngakanyarare endai


makabatwa nani kushata kunga mai
Tafi vari kuchema iwo mahobi ku......"
handina kupedza kutaura ndakupihwa
magwati kumusana namoms.Ndakada
kutiza vakandibata vakatanga
kundizvambaradza nemambama
ndakachema Elena kana kubata haana.

"Hauna hunhu usandituma kukurova


ndisingadi kasira kunyarara ndisati
ndakupa futi"
Ndakarwadziwa nekundirova
kwavakandiita ndakaona sekunga
vanoda Elena than me.Ndakaenda
kushop kwangu ndisina mufaro.Lee
aisabatikawo aiva ari kumba kwake aiti
pane zvaari kumboita.Mhamha naElena
ndanga ndavatsamwira kana kumba
kwacho ndaisazokutsika
zvekumhanya.Apana aiuyawo kushop
kwangu ndakaona vaida CJ
zvakanyanya.Lee akazouyawo
patopera mazuva ndakafara ndanga
ndamusuwa.Ndakamumbundira
ndikatanga kuchema zvekuti iye
akatoshaya kuti chava chii futi.
"Hilda what's wrong" said Lee

"Mhamha na Elena avanditi pese


vanenge vangori agnaist me"

"Agnaist you pasina chawaita here


bbe" ndakamuudza zvese zvakaitika
nekudzoka kwadad vangu.

"In life chaunenge wakatarisira


handizvo zvinozoitika, I know
zvinorwadza kuregerera dad vako
nezvavakakuitai asi ziva pasi pano
apana mutsvene munhu wese totadza,
pamwe pacho totadza nekuziva pamwe
nekusaziva ndoda uregerere baba vako
Hilda ,don't blame mai vako vava
munhu mukuru vakuziva zvinoitika
mulife vanenge vachida ufambe
negwara rakanaka, une problem
yekukurumidza" said Lee akanditarisa
mumaziso.

"Ummmm Lee thanks ndanzwisisa "

"Yaaa funga ndichida kukuroroora


zvoda baba vako varipo manje
ukasawirirana navo unenge
wakuomesera neniwo & ndoda
musikana anonzwisisa"
"Okay inga ndati ndanzwisisa wani Lee
aaah"

Akafara Lee kuti ndamunzwisisa ini


ndakafunga mashoko aitaura Lee
aireva chokwadi.Asi pavanhu vese tete
Kundai ndiye munhu wandaisafa
ndakaregerera pataizosangana pacho
pane 1 wedu anofa chete mirai
muone.Tete Kundai ndiye munhu
akaita dad vatirambe isu kutambura
dad vaine mari.Ndakavhara shop
yangu ndikamhanya kumba ndikasvika
kumbundira mai vangu.
"Sorry mhamha nematauriro andakaita
mazuva apera"

"Zvakapera mwanangu"

Ndakavati vandipe number dzadad


ndakavafonera vakafara kuti
ndavaregerera.Mufaro wanga wadzoka
zvekare mumba medu.Dad vakati vari
kuuya kutitora next week yacho paida
kutoitwa kaparty kekupembera
kudzokerana kwavo namoms.
*#LEEROY#*

"Saka mava papi tinobudirira here"


ndakadaro ndichitaura naPI wangu
aiona nenyaya yaCarick.

"Pakaipa zvinogona kutora hazvo


kanguva don't tobuda bhobho pari
zvine ndane information shoma"

" hoooo ndiudzei ndateya nzeve"

"Ndakaita kuti ndive close naYollanda


kuti ndinzwe kuti akamboita vakomana
vangani, iye akati ane vakomana vaviri
Clever naBrian asi akati aida Brian
nekuti anga asinganetsi asi Clever
anozvida hanzi anodemander sex too
much"

"NdiCleveri upi wamuri kutaura"

"I heard kuti musoja asi ane umwe futi


musikana waari kunzi anodanana naye
ari Girls High mira ndoda kutsvaga
kuona ndiani" akadaro Waya aiva PI
wangu.
Waya ndaimutemba aiziva basa
rake.Clever ndaisamuchenesa panyaya
iyi ummm chokwadi
chichabuda.Ndakanoona Carick
ndikamutipira mamiriro anga akaita
nyaya akanzwa kufara kuti tiri kuwana
infomation bit by bit.Ndakabva
kuremand ndakananga kumba
kwaWaya anga andifonera achiti pane
zvimwe zvaawana zvari kuda
kundiudza.

"Musikana umwe anodanana naClever


anonzi Jane ifriend yehanzvadzi yangu
ndarwadziwa pandakanzwa kuti
akarepwa last week asi haana kuona
munhu wacho akaenda kumapurisa
nyaya yacho yakatsikwa tsika"

"Aaah sei vasikana vari kudanana


naClever vese vachirepwa obvious
ndiye ari kuzviita chete apana umwe"
ndakadaro ndatogumbuka.

"Azvidi kufungira asi kutsvaga kuziva


chokwadi don't worry chokwadi
chichabuda musamhanya kufungira
umwe munhu nekuti anogona asiriye
ari kuzviita zvandikuda kuita apa
ndoda kumboenda kuEconet
ndimboona kuti Clever musi
wakarepwa Yollanda naJane aitaura
nani uye aivepi" akadaro Waya.
Ndakamutenda ndikabva ndatoenda
kumba.Ndakageza ndikamborara
ndaigaya kuti Clever uyu
aimbonyatsoita dzei vasikana vake
vaanodanana navo vanorepwa sei
ameno anogona asiriye
hake.Ndakagaya plan ndakapihwa
number dzaJane ndikataura naye
akatondifarira aindiziva hanzi ndafara
ndataura newe mkomana anorwarwira
nevasikana.Ndakanzwa kufara kuti
ndawirirana naye ndine zvandaida
kuita hangu ndakamuudza date
rataizosangana akabvuma.Ndakaenda
kumusha ndikasvika nekuona Hilda
ndikasiya ndamutsiura kuti kuregerera
kwakanaka.Ndakaenda kumba
ndikatora laptop yangi ndikatanga
kuona mavideos aUsain Bolt naYohan
Blake vachiri vafana.Foni yangu
yakapinda call ndikaona ari Jane
ndakatanga kutaura she was sweet
hake munhu aifara ndainamata kuti dai
zvandaida kuronga naye zvikabudirira.

_Ari kuda kurongei Lee_

_Akarepa Yollanda naJane ndiani_


Comments please

*WATCH OUT FOR CHAPTER 27*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587
*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 27*

*#HILDA#*

Ndakataura namai Marufu vakandipa


leave yeweek.Dad vakauya kutitora
tikaenda kumba kwedu kutown ndanga
ndakusuwa.Takasvika zvakanaka
mufaro wakazopera pandakaona tete
Kundai.Ndakavabata colla ndikavapa
mambama.Fight yakabva yatotanga
takazobatwa namai vangu dad vanga
vari ziii zvavo.Mama vakazama
kunditsiura vachiti respect Kundai
nditete vako izvo ndizvo zvandaisada
sei mama vachienda kuside remunhu
akavaparadzira marriage yavo.

"Casper wafara ka mwana wehure rako


andirova"akadaro Kundai zvinova
zvakanyanya kundirwadza kuti mai
vangu hure.
Takatanga futi kurwa ndakavakurira
vakandiruma paruoko pavakadona
ndakavadzipa zvekuti vanga vakutadza
kufema ndipo pakabata dad vangu
vaona kuti pane angatofa.Zvimwe
tingaita hedu asi mai vangu andidi
navo.

"Ndisiyei ndoda kumuuraya hanzvadzi


yenyu ndiyo yakaita kuti murambe mai
vangu zvaanoti mai vangu hure
vakahura nani heee ndokarova
kaKundai kenyu aka" ndakadaro.

"Hilda Hilda siyana nazvo" said mai


vangu.
"Casper mark my words zvaita mwana
wako andina kuzvifarira manje neni
tosvitsana kumapena" akadaro Kundai
akabva atosimuka kuenda kuroom
kwake.Dad vakabva vatarisana namai
vangu ndakaona kuti vanga vasina
kufara nezvataive taita naKundai.

"Baba Hilda kana zvakadai hatikwanise


kugara pano hedu andidi
zvekushungurudzirwa vana vangu zviri
nani todzoka hedu" said mai vangu.
"Mai Hilda apana kwamunoenda ndiwe
mai pano,Kundai ndiye angatobva
pano anofana kukupa respect "

"Aaah dad hanzvadzi yenyu hatiide


pano isu ine hutsinye manje pano
anopabva chete mirai muone" akadaro
Elena anga atopanduka asi ndiye aiti
aida kuona tete kundai.

Tete Kundai vakadaidzwa vakauya


muromo wakazvimba ndanga
ndavagona.Ndaishaya kuti sei
vaisaroorwavo kuti kushaya anoroora
here ameno inga vakanaka asi
mumoyo vakashata havo.

"Kundai musha wega wega una mai


vepo ava mai Hilda ndivo mai pano you
have to respect her wanzwa,
zvekutukirwa mkadzi wangu andidi
please kana vana vangu usingavadi
siyana navo usataura nawo" vakadaro
dad.

"Casper usa......"

"Ngakave kekupedzisira kundidana


nezita rangu ndine vana zviri nani uti
baba vaHilda"

"Mkoma musadaro inga taiwirirana


zvakanaka wani asi madyiswa namai
Hilda"

"Kundai ndikukupa 10mins tora mabag


ako ubve pano andichadi
kukuona"said dad vanga vatsamwa.

"Baba Hilda dzorai hasha taurai natete


zvakanaka musavadzinge vanzwa"
said mama ndakabhoekana mama
vaizonyanya moyo chena.Ndaida
Kundai abve pamba pedu aindibhowa
manje ndichaita zvekuti abve ega.Dad
vakatora mama vakaenda kubedroom
kwavo tikasara takatarisana naKundai.

"Vanhu vakakurira kumusha


munonetsa muri kunhuhwa ndowe
yemombe" akadaro tete Kundai.

"Iwewe uri kunhuwa tsvina yembwa


nxaaa" ndakadaro ndikabata kubuda
navo kunze.

Ndakaudza Elena auya nebucket rine


mvura.Akauya naro 20ltrs .
"Kundai inwa mvura yese iri mubucket
pasina kukundikana kana watadza
ndokuisa hair remover
mumusoro"ndakadaro ndakarova
serious.

"Haugoni kuti tete here sei


uchindijairira unoti ndine zera newe
here"

"Handina tete benzi whatever itai


zvandataura"
Vakarasa mvura iya takavabatirana
naElena tikavagera zvese zvavanga
vakarukwa.Dad namama vakazobuda
vachiona Kundai asisina bvudzi
akagara pasi achichema.

Mama vakatirova naElena baba vangu


vakazobata.Ndakanotora hembe
dzatete Kundai dzese ndikadzipisa
,Elena akaisa mafoni atete mumvura
yakava batai batai.Vanga vakunzwisa
tsitsi tete ndaida vabve pamba pedu
chete ndakaona kuti vakaramba varipo
vaizoita zvekuti dad vativenge futi.
*#LEEROY#*

Takasangana naJane mutown akafara


kundiona mwana iyeye.Pachimiro anga
akanaka hake asi aisasvika pana Hilda
hake kungoti Jane mutsvuku.Aiva ari
free hake.

"iiiih ndafara ndanga ndajaira


kungokuona paTV uchimhanya
ummmm apa unorwarirwa nevasikana
vepafazh pangu" akadaro Jane.

"Hoooo kungoti iwewe haufambe


tingadai tichisangana kkkkk"

"Ehe ndingafamba ndichiendepi


hangu"

"Hooo ari sei mufesi wako Clever haaa


akazvibatira bbe wakanaka Jane umm"
ndakadaro

"Ahh really thanks, naClever


takarambana anobhowa uyo wakaziva
sei kuti takambodanana"

"Ndakambokuonai mese,ko why inga


munhu ari bhoo"

"Lee I was raped nemunhu wandisina


kuziva nanhasi zvichiri kundirwadza
pamoyo,Clever ndakamuudzawo haana
kuita hanya nazvo akati ndisaenda
kunotaura kumapurisa achatsvaga ega
munhu akandirepa, anga akuda
zvekurara neni ndikaramba anoti shaa
hanty wakarepwa here tipe tirove hedu
airara neni zvechisimba ndizvo
zvakaita ndimurambe" akadaro
achipukuta misodzi yake.Clever
ndakamushaira mupanda anotadzawo
kunzwa tsitsi aitoisa salt pachironda.

"Jane ndinokuoma sehanzvadzi yangu


zvawataura zvandirwadza andidi
kunyepa chandinoziva munhu akaita
izvozvo tichamubata ndoda
kukubatsira kutsvaga rapist iyeye"
ndakadaro

"Hiiii thanks hako Lee munhu iyeye


akabatwa ndoda kumudambura
chirepeso chake ichocho " akadaro
tikabva taseka.
"Fonera Clever auya kuno wopinda
naye murestaurant umo"
ndakamuudza zvandaida kuti aite
akabvuma hake.

Clever akafonerwa akauya vakapinda


murestaurant muya ini ndakapindawo
ndikagara patable raiva paside pavo
ndanga ndakapfeka maboni boni
necap zvekuti Clever
aisambondiziva.Zvaivaitaura
ndaizvinzwa pane zvandaida kuona
pana Clever.

"Jane asi wazofunga kuti tidzokerani


here ummm unondinakira mwana
iwewe nhasi ndoda uuye urare kumba
kwangu" akadaro Clever

"Ndonaka pakudii nhai Clever handisi


kunzwisisa zvauri kutaura"

"Ngaipere nyaya yacho"

"Ndikunzwa kufara nhasi" said Jane.

"Kufarira inini here ndaizviziva kuti


wandisuwa ndizvo zvazvinoita"

"Aiwa ndikufarira kuti munhu


akandirepa akuzivikanwa yeeeee week
rino rinopera asungwa chete" akadaro
Jane, ndakaona Clever akavhunduka.

"Anonzi munhu wacho"

"Andizive andina kuzobvunza zita


hanzi musoja"

Clever akavhura ziso zvekushamiswa


nazvo maitiro akaita akandiudza kuti
ane chekuita nekurepwa kwaJane
chete.

"Clever chiii hausi kufarawo wani asi


ndatadza ndakuudza here"

"Aiwa hauna kutadza but


zvandinetsawo andifunge kuti masoja
anoita zvakadaro" said Clever.

"Hoooo kuti kudaroo"

"Ehe ko mapurisa ekupolice station ipi


vakuudza izvozvo" akabvunza Clever.

"Andizive hangu,ko sei


usingambobvise hat yako bvisa
timboona kani"said Jane.
"Hat kanganwa hako andibvise uchida
ndibvise tanga waura kurara kumba
kwangu husiku hwese" akadaro.Jane
akaibvisa Clever akavarairwa anga ane
vhudzi hombe.Jane akabata vhudzi
riya akatanga kubudisa musodzi
ndakashaya kuti chava chii futi.Clever
akabuda asina chaataura anga
adhiniwa.

"Munhu akandirepa anga ane vhudzi


hombe rakaita saClever ndakazviona
pandairwisana naye ndipo
pandakabata bvudzi rake , Clever
andisi kumuchenesa ini anenge ndiye"
akadaro Jane maziso ajenga misodzi.

"Ndiye chete akazviita chete ari


kufungirwa kunzi ndiye akarepa
Yollanda futi" ndakamuudza nyaya
yacho akachema zvainzwisa tsitsi
ndakaona airwadziwa nekurepwa
kwaakaitwa.

"Ndiye chete saka airambirei kuti


ndiende kumapurisa"

Ndakamusimbisa ndikamuperekedza
kumba kwavo.Aigara ega vabereki
vake vanga vakabuda vari SA
nebrother yake.Ndakananga kumba
kwaWaya ndikamuudza zvose zvaitika
akanyora mukabook kake.

Ndakafonera Jane ndikamuudza kuti


pakaitika something undifonere.Zuva
iri ndanga ndakaneta ndakanonoka
kurara ndaiedza kufonera Hilda foni
yake yairamba.

Jane akanditextira achiti Lee help me


malight adzima pane munhu apinda
mumba.Ndakatora mota ndikananga
kumba kwaWaya tikaenda kumba
kwana Jane.
Takasvika paine rima takaona breaker
ranga rakadzimwa takariisa on.Malight
akabaka tikapinda mumba
tichinyahwaira.Ndakapinda mune imwe
room yaiva nerima ndakanzwa
ndarohwa nechimwe chinhu
mumusoro ndikadona pasi ndiye ziii.

_Ko Lee achadiii ndiani akamurova_

_Waya naLee vanopabuda here_


_Kundai achaita sei nana Hilda_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 28*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587
*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 28*

*#PETSO#*

Ndakazoshamisika kuona Cindy


achiuya kwandiri achindikumbira
ruregerero nekundituka
kwaimboita.Akati hake hazviite kuti
tidanane handina kumupikisa pane
paizoda munhu asina chainacho
here.Tanga takuwirirana zvakanyanya
semashamwari asi kutaura chokwadi
mwana uyu ndaimuda nemoyo
wese.She told me anofarira zvekubaker
rimwe zuva akandipa zvaka baker
ndakafara kuti ndini ndapihwa here.

Ndakanozvidya kumombe aigona hake.


Ndakasangana naTasha akagara
pachimwe chidombo akabata shaya
waiona wega kuti pane zviri kumudya
moyo.Akauya kumira pamberi pangu
dumbu ranga rakura ndakamutarisa
ndikaona maziso ake akatsvuka kunga
ambobva kuchema.

"Petso ndoda undiregerewo pane


zvese zvandakukuita kwaisava kuda
kwangu imweya yetsvina" said Tasha.

"Ndaikuda Tasha asi wakandiitisa


uchirara nevamwe vakomana
ndakamborwadziwa hangu asi
zvakapera"

"Ndiregererewo andichazviite futi" said


Tasha achipfugama.Ndakamusimudza
ndikamuti andichengeti chigumbu
ndakuregerera.
"Thanks asi ndichiri kukuda
hangu"akadaro Tasha.

"Unopenga here unoda kumboita


vakomana ko baba venhumbu vadiii
zvawakuuya kwandiri"

"Akairamba nhumbu yacho haatodi


kundiona andina kana mari
yepreparation zvakandiomera
ndakuzvituka dai ndisina kupindwa
nemweya wekukucheater
Petso"akadaro achibudisa
misodzi.Akabva atoenda hake.
Tasha anga akundida nekuti ari kuda
kubatsirwa.Takaendesa mombe
kudanga kwadzo asi ndaifunga kuti sei
Tasha aiuya kwandiri achinzwisa tsitsi
asi kunyepera kuda
ndimubatsire.Ndakaenda nekugarden
kwangu raiva pedyo neraMai
Tasha.Mai Tasha ndakavaona vanga
vatova nenhumbu zvonyadzisa sei
murume ari mujeri saka zvaireva kuti
iyi ndeyekuhura.Mai nemwana kuita
nhumbu nguva imwe chete zvaindiitira
funny.
Ndakadiridza garden redu ndikabva
ndaenda kumba.Ndakadya ndikatanga
kufunga ndichazova munhu akaita sei
muhupenyu.Ndaifana kumboita
zvimwe zvinhu ndombosiya zvemombe
nekuti azvisi kubhadhara.

*LEEROY*

Ndakapepuka ndiri muchipatara paside


pangu pakagara Jane.Ndakatanga
kufunga kuti ndauya sei
muchipatara.Ndakafunga zvaitika
zvese kuti pane munhu andirova
wandisina kuona.

"Hiiiiii thank God wamuka ndanga


ndava worried"said Jane akandibata
ruoko.

"Ko akandirova ndiani ko Waya aripi"

"Mira ndifonere mkoma Waya vauye


kukuudza vari muoffice madoctor"
akadaro akachifona.Pasina nguva
doctor naWaya vakapinda Doctor
vakaita matest avo ndanga ndisina
kukuvara zvakanyanya vakabva
vabuda zvavo.

"Ko Waya munhu wandirova wamuona


here wamubata here" ndakabvunza.

"Munhu akurova andina kuona chiso


chake tamhanyisana asi ndatadza
kumubata munhu iyeye anomhanya
zvaida iwewe waigona kumubata "
akadaro Waya.

"Hooo okay ndoda kuti Jane ambogara


kumba kwangu kusvika panodzoka
vabereki vake enda naWaya unotora
hembe dzako" ndakadaro

"Thanks Lee vashoma vane moyo


wakaita sewako May God bless you"
akadaro achifara akabva atobuda
naWaya.

Ndakasara ndichiedza foni yaHilda


yairamba ndakabhoekana aidzimirei
foni.Ndakatanga kufunga Hilda mwana
ndaimuda hake ndaitoda zvekuroora
nguva iripo.Kana achida kuenda
kuchikoro anoenda akugara neni.Waya
naJane vakauya kunditora tikabva
tabuda kuenda kumba kwangu.
Waya akadzoka kumba kwake,
ndakaratidza Jane kitchen neroom
yake yekurara.Ndakamuti abike chake
ega ini ndiri bhoo akanzwisisa
hake.Ndaitofunga musikana wangu sei
asiri kubatika asi pane
zvikuitika.Ndakamuka makuseni
ndikajoga ndakadzoka ndikaona Jane
achichema.

"Uri kuchemei Jane inyaya iya here"

"Zvichiri kundirwadza nanhasi Lee"


"I know zvorwadza edza
kuzvikanganwa munhu uyu tava pedyo
kumubata usatya hako pano uri safe"
ndakadaro.Takaswera takutamba
magame tichiseka ndaida asafunga
zvakawanda.

Padoor pakaita knock ndikavhura


mudhara vakapinda vakaona Jane
vakaseka zvavo.Ndakashaya vaisekei
vakanditarisa vaida answer yekuti Jane
ndiani wangu.

"Musikana uyu anonzi Jane she is my


friend"
"Hoooo pakanaka ndoda kukuudza
kuti kana wakuda kuroora ingoroora
not zvekugara nemwana wevanhu
usina kumubvisira asi une good choice
mufana wangu mai vako vachafara
kumuona" vakadaro dad ndakashaya
kuti vaiedza kuti chii.

"Okay dad" ndakadaro ndaisada


zvenharo navo.

"Ndakuenda uzoona mai vako vari


kuda kukuona" vakabva vatobuda.
Takasara naJane anga ava
zii.Ndakanogeza ndikachinja ndaifunga
kuti mai vangu vari kuda kuti
chiii.Ndakanobika Jane akati siya
ndibike hangu ndakamuti gara hako
ndobika inini haana kuita nharo
hake.Ndakapedza tikadya Jane
akandipa sando hanzi unogona kubika
kutondipfuura.

*HILDA*
Dad vakati ndisiye basa rekutengesa
mushop ndakaita
zvavakataura.Ndanga ndakuswera
ndiri pamba naElena painakidza
taiswera tichidzidziswa kudriver.Tete
Kundai vaibatika manheru chete
ameno vaiswerepi vanga vasisidyi
chikafu chedu kana kutaura nemunhu
hatinei navo.Rimwe zuva ari manheru
vanhu vanga varara takaenda
kunogara panze naElena tichitaura
nyaya.

"Elena ndasuwa Lee apa foni yangu iri


kuramba kubaka inenge yakafa
payakadonha paya"

"Aaah udza dad vakutengere nyowani"

"iiiiih ndinenge ndakuzonyanya nezuro


takavakumbira mari yekutenga hembe
vakatipa iih ndingatonzwa mhamha"
ndakadaro

"Sis hona magetsi epanext door


aenda" ndakatarisa ndikaona atodzima
zveshuwa.
"Kunenge kupera uko"

"Honai munhu uyo akapfeka zveblake


ari kujamba gate haisi mbavha here
ngatimutsei dad"said Elena.

"Aaaah uda kuti dad vaurawe here


mbavha dzinenge dzine pfuti siyana
nazvo"

Takapinda mumba tikarara nguva


dzanga dzaenda.Mangwana
ndakamuka kujoga ndakashamisika
kuona ndichipfuura pagate paLee aah
taiva musame location.Ndakafara
ndakavhura ndikapinda asi handina
kuzofara nezvandakaona zvacho.

Ndakaona Lee achimhanyisana


neumwe musikana vairatidza
kufara.Ndakatanga kuyeredza misodzi
ndakavatarisa ndakambopindwa
nepfungwa yekuda kunorova musikana
asi ndakasiyana nazvo.Avana
kundiona zvavo ndakabuda ndaisada
kuvavhiringa mufaro wavo.Saka Lee
aida kundiitisa saka Clever aitaura
chokwad kuti Lee anoda kundiitisa
chete.Ndakasvika kumba ndikasvika
nekugara paloan.
"My daughter chiii chiri kunetsa zvauri
kuchema" said mama.

"Andisi kuchema ini"

"Hilda ndiri kuzviona pane chiri


kukunetsa ndiudze tibatsirane"
vakadaro mai vangu vakabata kaCJ.

"Mhamha ndasuwa naCindy foni yake


iri kuramba ndine nyaya yandaida
kumuudza"
"Hooo ndizvo zvinochemedza here asi
inyaya yemkomana here"

"Aiwa mhamha handiite zvevakomana"


ndakadaro.

Takabva tapinda mumba tikadya dad


vanga vari kubasa kwavo.Ndakataurira
mai vangu kuti foni yafa vakati tiende
kune vanogadzira mafoni.Ndakapihwa
mari ndikaenda ikagadziwa ikanaka.

Ndakatanga kufamba ndichiona area


ratinogara ndikasangana namai Lee
vakaremerwa nemapaperbag
ndakavabatsira ndikaenda navo kumba
kwavo.

"Thanks mwanangu wandibatsira


ndanga ndakaremerwa" vakadaro mai
Lee.

"Muchitendei mhamha ko Cindy


makamusiyirei"

"Akaramba kuuya haadi kusiyana


nagogo vake achauya zvikoro
zvavhurwa"vakadaro
"Hoooo okay"

"Muroora wangu Hilda feel free


usanditya ndoda undibatsire kubaker
mascones"

"Hiiii handigoni,ndidzidziseiwo
ndizobikirawo dad vangu"

Takaenda mukitchen mavo manga


muri smart makanaka futi.Vakatanga
kundidzidzisa takabaker zvinhu
zvakawanda mai lee vanga vari free
vaindida zvavo asi mwana wavo
aisandida hake.Tapedza takanogara
kudinning vachindiudza zvaifarira Lee
nezvaasingafarire ndaingoteererawo
hangu asi ndainzwa kurwadziwa kuti
Lee wacho haandide ane wake
kudhara.Lee akabva asvikawo
nemusikana uya takamhoresana
zvakanaka.Lee akada kunditaudza
ndaitaura ma one word answer.

"Ko musikana uyu ndiani Lee"

"Anonzi Jane she is my friend


currently ari kumbogara kumba
kwangu pane zviri kuitika" paakadaro
ndakanzwa kunga ndabaiwa nepfumo
pamoyo saka vari kugara
vese,ndakatoona kuti vanhu ava
vaidanana asi vaisada kubuda
pachena.

"Mhamha ndafara nenguva yataswera


tese ndichazouya futi mhamha
mundidzidzise zvimwe
ndakuenda"ndakabva ndatobuda
vasati vapindura misodzi yangu yanga
yava pedyo kubuda.Lee akatevera
akandiwana ndichichema akasvika
kundimbundira ndikamupusha.
"Hilda chiii chiri kuitika"

"Siyana neni Lee ukuda kundiitisa


uchiziva kuti une umwe musikana"

"Haasi musikana wangu asi kuti


munhu wandiri kubatsira ari panguva
yakaoma" akatsanangura Lee zvekuti
ndakanzwa tsitsi.

Ndakadzoka mumba ndikanotaura


naJane anga ari free.Lee akaudza Jane
kuti ndini musikana wake akandifarira
ndipo pandakazivawo kuti inext door
yangu paya pekudzima magetsi.
Takasiya Lee aina mai vake tikabuda
tichitaura nyaya aindiudza
zvakaitika.Ndakamuudzawo kuti
ndakaona munhu akapfeka zveblack
asi andina kuona chiso
chake.Ndakamusimbisa kuti
achabatwa munhu akaita izvozvo.Lee
akauya tikaenda kumba kwake
tikaswera tichifara ikoko.Ndakaenda
kumba kwava kusvika ndikasvika
mhamha vakatanga kupopota hanzi
wanga uripi wakuda kuita kunga
Kundai.Ndakavavhara vhara vakabva
vanyarara zvavo.Ndakapinda
mukitchen ndikaona tete Kundai ndivo
vaibika zvakandishamisa kuti shasha
iyi kubika kwakanaka here.

Chikafu chakapakurwa ranga riri sadza


nebeef netumaverge paside.Table
rikasetwa apa ini nzara yandanga
ndinayo yanga isingaite ndakuda
kudya mama vakandimisa.

"Mhamha ndine nzara ini mandimisirei


ko sei musiri kuda kudya" ndakadaro.

"Mai Hilda idyai ndabika nemoyo


wangu wese please musandifingira
zvisizvo" said tete Kundai.Elena nadad
vanga vakutodya zvavo.
"Hilda mira kudya"

"Mai Hilda siyai mwana adye kana


makaguta madii manorara" said
dad.Ndakafunga kuti pamwe pane
zvavaona zvaiswa muplates mangu
ndakatora yavo vakandimisa futi.Tete
Kundai vanga vakutinyengerera hanzi
idyai chiri kupisa rikatonhora
arizonaki.Mhamha vakatora plate
yangu neyavo vakabuda nazvo panze
vakarasa mubin dad vachiona izvi
vakatsamwa vakatanga kupopota.
*please drop your comments*

*WATCH OUT FOR CHAPTER 29*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 29*

*#HILDA#*

"Mai Hilda ndiko kudiii kwawaita


kurasa chikafu chabikwa neumwe
mwana odyei zvawarasa chakafu
chake wadiii kungorasa chako wega"
vakadaro baba vangu.

"Baba Hilda hamungazvinzwisisa


zvandazviitira asi mukufamba
kwenguva muchazvinzwisisa henyu"
vakadaro mai vangu.

"Mkoma mazvionera mega kuti mkadzi


wenyu haite akuna kushoora
kunopfuura apa kurasa chikafu
chandabika vanofunga kuti chikafu
chino nhongwa ngavadzoke kumusha
kwavo kwavaigara" said Kundai.
"Kundai hauna right yekutaura zvekuti
mkadzi wangu abve pano
wanzwa,pano ndopamba pake
kusvikira mukufa asi mai hilda
zvawaita andina kuzvifarira hangu"
vakadaro dad vangu vakabva vatoenda
kubedroom kwavo.Tete vakaendawo
kwavo vanga vatsamwa takasara
takatarisana namhamha.

"Mhamha mazviitirei honai dad


vatsamwa" said Elena.

"Chikafu changu nechaHilda pane


zvanga zvakaiswamo natete venyu
that's ndazvirasa kuti ndiudze baba
venyu vaisazvinzwisisa vanenge
vakufunga kuti kuvenga tete Kundai"
vakadaro mhamha.

"Ndosaka takati tete Kundai vabve


pano imi mukaramba chionai toisirwa
mishonga muchikafu ndopa imimi
mhosva mhamha makarambirei kuti
vabve pano" ndakadaro.

"I know zvandakazviitira Hilda ndoda


kuti baba vako vaone vega kuipa
kwemwana wamai vavo vasazofunga
kuti takamuvenga pasina" said mai
vangu.
"Aaah hooo vanozviona sei
vachiswera vari kubasa" akabvunza
Elena

"Vachazviona mukufamba kwenguva


musadya zvinhu zvabikwa natete
venyu kana kupihwa something navo
please havasi kufara nekudzoka
kwedu"

"Okay tanzwa mhamha" takadaro


naElena.Mhamha vakabva vaenda
kubedroom kwavo kunorara.NaElena
takasara tichirongedza mandiro
nekumageza.Ndakazorova drink
nechingwa nekuti nzara yandanga
ndinayo yanga yakanyanya.Takaenda
kuroom kwedu naElena takatanga
tanamata tapedza tikataura nyaya.

"Mhamha vaoneswa chete kuti


muchikafu manga mune mushonga
tete Kundai vatsamwa vatadza kubuda
bhobho" kakadaro Elena.

"Ehe kunamata kwakanaka


ndatozviona asi Elena next time atidi
kuti tete vabike ngatiite something
chekuti vabve pano" ndakadaro.
Takabatwa nehope nguva dzaenda,
ndakamukira kujoga semazuva
ose,ndakasangana naLee
achijogawo.Takabva tananga
kuground ndakasvika ndaneta
ndakasvika nekurara ndakatarisa
mudenga.

Ndakambopedza nguva ndakadaro


ndakaona Lee auya pamusoro panga
takabva tatarisana mumaziso chaimo
tikagumisira takutsvodana.Takatsvona
kwenguva yakaramba Lee achindibata
muviri wangu takazomira paakaisa
ruoko kuzasi uku.Taigona kuita
zvimwe muground imomo apa ndanga
ndakunyara kutarisana naye.

Takazoswera takumhanyisana
muground tichizvitora maselfie pamwe
takatsvoda pamwe tisina zuva iri
ndakanakidzwa ndakabva ndanzwa
kuda kugara pedyo naLee kana
kundiroora andirambe hangu.Lee
ndaizomupa humhandara hwangu
kana achinge andiroora pasina izvozvo
tongogumira mukubatana chete.

Takatanga kufamba tichienda kumba


ndakamuratidza pamba pedu akabva
adzoka hake ndakamuudza kuti
ndikuuya tizoswera tese.Ndakapinda
mumba ndikageza nekupfeka dress
nyowani randakatengerwa nadad
vangu.Ndakadya ndikaenda kumba
kwaLee ndikasvika ari ega Jane anga
aenda kutown kunoona mashamwari
ake.

"Wow Hilda you are so beautiful dress


iro rakakufita huya ugare pedyo nadad
vachimbodya mahalf avo" akadaro
Lee.

"Aaah andidi kudyiwa mahalf uri


kubiridzira mai vangu iwewe "
ndakadaro
"Ndavabiridzira papi Hilda hanty haudi
kuti ndikuroore here"

"Ndakamboramba here daddy ndati


ukundidya mahalf ukubiridzira hauna
kubvisa kana cent kumba kwedu aaah"

"Bbe ndoda kukuroora apana


kubiridzira kwandikuita kungoti ndiwe
ukuramba chete"akadaro mkomana
wangu.Ndakamutarisa ndikazvipa
sando anga ari handsome apa aifarira
zvekundibata bata sei ndaibva
ndanzwa muviri wangu kunga uri
kufambwa nemasvosve.

"Kuroorwa newe ndoda ini I'm ready


but ameno vabereki vangu
vanozozvitambira sei mai vangu
ndotya kuvaudza kuti ndane
mkomana" ndakadaro.

"Bbe moms ndivo munhu waunofana


kuudza inga vanonzwisisa wani taura
navo"

"Aaah ndotya kurohwa Lee mhamha


vangu ndovaziva ini"
"Kana uchitya manje toroorana sei
manje i heard una tete udza ivavo
azvinetsi izvo" akadaro Lee dai aiziva
kuti tete vacho ibenzi aisataura
izvozvo.

"Tete vangu handinyatsopindirana


navo don't worry ndichazama
kuzotaura namama vangu kana
ndatadza ndotuma Elena avaudze"
ndakadaro ndaisada andibvunze
zvekuti sei ndisingawirirane natete
vangu.

Takatanga kuita chikuda


tichidzingirisana zvedu.Takagumisira
takune imwe room tichiita pillow
fighting nemkomana wangu.Takunzwa
nzara ndakanomubikira tichiudzana
mashoko erudo.Ndakapakura tikadya
tese mundiro imwe chete
tichipakisana.Tapedza takabuda
tikaenda kumba kwamai vake
takasvika vari vega.Ba Lee vanga
vasipo murume iyeye haagari pasi
zvake ndoshaya vanenge vamboripi.

"Mhamha ndakuda kuroora Hilda"


akadaro Lee.
"Ipfungwa yakanaka mwanangu asi
Hilda wacho achiri mudiki andifunge
kuti vabereki vake vanobvuma"
vakadaro mai vangu.

"Handisisiri mudiki kuita mkomana


zvoreva kuti ndatokura Lee ndomuda
don't worry vabereki vangu avarambe
ndotaura navo chandisingadi
kuzorasiswa newe Lee nekuti
ndakaperera pauri" ndakadaro.

"Handife ndakakurasisa my future wife


ndokudisisa no one can separate us"
akadaro Lee.
*LEEROY*

Hilda ndanga ndafunga zvekuda


kutomuroora nekuti ndanga
ndanonokerwa nekuchachura
poto.Hilda ndaimuda nemoyo wese dai
vabereki vake vakasaramba kuti
ndimuroore vakangoramba vanenge
vandiomesera i can't live without
her.Mama ndakavaudzawo vakataura
statement rekuti Hilda achiri mwana
ameno vabereki vake vakabvuma.
Hilda atokura uyu akuda kutosvitsa
20yrs manje manje.Mhamha vakati
mirira mudhara uzovaudza tione
vanofungei nazvo.Takavamirira
kusvika kwasviba ndakaperekedza
Hilda ndikamusvitsa pagate
pavo.Ndakamutsvoda zvenzara
chaizvo ndiri pagate pavo
ndikazomusiya akamhanya kupinda
pagate pavo.Ndakadzoka ndikaona
mudhara vatovapo.Ndakavaudza nyaya
yangu vakambonyarara vachiita
sekunga vaifunga.

"Handidi uroore Hilda azviite washaya


umwe musikana here, roora uya
wandakambokuona unaye anoita"
vakadaro baba vangu.

"Hezvoo BaLee ndaifunga kuti


muchasapota mwana siyai aroore
Hilda ndiye waari kuda kana ini Hilda
ndomuda ari bhoo" vakadaro mai
vangu.

"Hilda ihure airamborara nevafudzi


vemombe plus haana tsika anditodi
kumuona hangu pano" said dad.

"Hilda ndiye wandiri kuzoroora


muchida musingade apana munhu
anotiparadzinisa naHilda, haasati
atomboziva vakomana ndakamutarisa
inini, zvamataura zvatondiratidza
something " ndakadaro ndakaona kuti
vaiita kunga vane mhosva yavakapara
kuna Hilda.

"Lee andisi kuita zvenharo newe asi


ndiri kukuonesa anozochema ndiwe
mangwana andifunge futi baba vake
vanokubvumidza kuti uroore mwana
wavo, wadiii wangoroora musikana
uya wawanga unaye inga akanaka wani
kutopfuura Hilda wako" vakadaro dad.
"Enough Ba Lee siya mwana aite
zvaanoda zvako zvekuti aroore Jane
andina kuzvifarira ukuti akanaka asi
unomuda here heee unoda kuzorara
naye ndakuona hangu pamwe
wakatomborara naTasha chete iwewe
Freddy" vakapopota mai vangu vanga
vatsamwa ndakaramba ndiri
ziii.Mudhara vabva vanyararawo
mhamha vaivava kwete zvekutamba.

'Murume mukuru haunyare kuswera


kuchiva vana vadiki heee siya Lee
aroore Hilda , munenge muripi pese
wakuhura chete chiii chaunoshora
pandiri dai waiziva varume vakawanda
kunze uko vanotondirwira iwe
uchindihurira pano andina kusiya
ndapisa musha ndoenda kumba
kwenyu kana zvepano zvanetsa" vanga
vakutaura vachichema mai vangu
zvakandirwadza ndakanovambundira
ndikapukuta misodzi mudhara anga ari
ziii.

"Foni yako unoisa password Freddy


kuti ndisabata why wachinja hako asi
yangu unobata wani" vakadaro.

"Mai Lee sorry andina kuziva kuti


zvandataura zvichakubata kusvika
pakadaro sorry mkadz wangu"
ndakasiya mudhara vachinyengerera
moms.

Ndakasvika kumba kwangu Jane


atopedza kubika takadya tese aifara
kuti vabereki vake vari kudzoka
mangwana.Takadya tikabva taenda
kunorara pava pakati pehusiku
ndakanzwa mhere muroom muna
Jane.Ndakapindamo ndikanzi achiti
Clever Clever ndisiye kani yohweee
mai kani ndisiye.Ndakamudira mvura
kumeso kwaanga achidikitira akabva
apepuka.

"Lee ndarota Clever achindirepa futi


apedza anga akundidzipa kuda
kundiuraya ndakutya ini" said Jane.

"Okay ndiri kurara muno pasi asi


ndoda kuti titange tanamata first"

Takabva tatanga kunamata zvine


simba tapedza ndakawaridza pasi
ndikarara iye akarara
pabed.Ndakazopepuka ndiri musame
gumbezi naJane ndakashaya kuti
akadzika nguvai pabed kutaura
chokwadi andina kuzvifarira apana
zvandakataura hangu.
"Sorry Lee ndaitya kurara ndega pabed
ndosaka ndazodzika pasi trust me
apana zvakaitika hapo" akadaro Jane
aona ndanyanya kunyarara.

"Okay no problem kana pasina


zvakaitika"

Masikati ndakaperekedza Jane kumba


kwavo vabereki vake vanga
vauya.Ndakabvako ndakananga
kubasa kwaWaya anga abva
kundifonera.
"Clever anga ari pano makuseni
aibvunza boss vangu kuti pane ari
kuona nezvenyaya yekurepwa
kwaYollanda naJane here ivo vati so
apana asi iye haana kugutsikana
nemhinduro auya kwandiri
ndikamuudza futi masame statement
ataurwa naboss vangu" akadaro Waya.

"Zviri pachena ndiye aizviita akutya


kubatwa

"Ndizvo zvandakutoonawo manje"


Waya akati ari kuda kuona
mamovements aClever.Clever ndiye
chete rapist kungoti atosati tane
evidence yakakwana yekumuroverera
nayo.Takabuda tikaenda pane rimwe
bhawa ndakaona Clever aitaure
nerimwe ziyellow born ranga rakanaka
samare.Takabva tabvapo tikaenda
kunogara kurestaurant imwe, pasina
nguva ziyellow born riya rakabva
rapinda rikauya kugara
pataive.Ndakatarisa panze ndikaona
mota yaClever ichirova pasi ndakabva
ndatoziva kuti uyu musikana anenge
atumwa chete.

"Hie guys I'm Belly babes" akadaro


chiona zvaive zvakapfekwa zvaisiya
zvidya panze apa mwana wacho
ngaatsvuke sei kana chiri
chivakashure handichataure vakaita
kuramwirwa apana murume
asingamucheuke chete isimbi iyi.

Takatanga kutaura naye ndakaona kuti


Waya anga atodyira
ndaisamushoorawo nekuti Belly wacho
magetsi.Belly akazevezera Waya
munzeve vakabva vabuda
ndakavatevera kumba kwavakaenda
kwaiva kwaWaya.Ndakazonzwa
mamwe masound mubedroom
maWaya ndikaziva kuti gejo
rakatonyura ndakamira padoor ndaida
kunzwa zvavataura.Ndakazonzwa
kanoise kaya kapera ndikaziva kuti
mutambo wapera.

"I heard kuti ndiwe ukuona nenyaya


yekurepwa kwaJane naYollanda
ichokwadi here" akadaro Belly.

"Ndiani akadaro zvauri kutaura


wazviwanepi" said Waya.

"Amana pindura mubvunzo wangu


ndozopindurawo wako, ukapindura
zvechokwadi ndoita pungwe newe"
akadaro Belly.

Ndakatoona kuti Waya airedzwa kuti


ataure chokwadi.Belly uyu anogona
atumwa kuzodzima information yese
yana Waya ndikapusa apa Waya
anodura zvese tikadzokera futi pazero.

_Who is Belly atumwa zveshuwa here_

_Vabereki vaHilda vanobvuma here


kuti Hilda aroorwe naLee_

Taurai zvamunofunga timbonzwa

*WATCH OUT FOR CHAPTER 30*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 30*

*#LEEROY#*
Ndakaknocka padoor reparoom
paWaya, Belly ndiye akauya kuvhura
door racho akamonera
towel.Akaramba akanditarisa achida
nditaure zvandafambira.

"Ndoda kuona mkoma waya


emergence please" ndakadaro

"Okay muite fast " said Belly.

Waya akabuda akapfeka short chete


kumusoro anga asina hembe.Takaenda
paside patisinganzwike naBelly.
"Bro do you know that bitch atumwa
naClever musamuudze something
panyaya iya"

"Ndanga ndazviona asi muriwo


ndangoti handitadzi kurova iwo wauya
wega iwewe enda unotora bag rangu
riri muroom rekupedzisira woisa
macamera mukitchen nemudinning"
akadaro Waya.

Ndakaona Belly achidongorera aida


kunzwa nyaya dzedu.Waya akadzoka
kunopedzisa paanga asiira ini ndakaita
zvaanga andiudza.Ndikabva ndaenda
padoor pavo ndaida kutereera
zvavaitaura.

"Ko kamukomana ako kari kudei pano"


said Belly

"Mupfana wangu ana mai vedu


vanozvarwa vese"

"Okay hauna kuzopindura mubvunzo


wangu ndati ndiani ari kuona
nezvenyaya yekurepwa kwaJane
naYolla'
"Apana ari kuona nezvayo takanzi
tisiyane nayo" akadaro.

"Ndoda undiratidze kune kitchen yako


ndikubire ungazoti Belly haite"
akadaro Belly ndakabva ndaenda kune
imwe room ndikabatidza laptop
ndikatanga kuona zvese zvaitika
mukitchen.Belly akabika Rice
nechicken akaisa tumwe twakaita
tupowder muplate maWaya
ndakamutextira waya akachinjanisa
maplate acho.Waya akadya Belly
akafara kuti apedzera Waya asingazive
kuti azvisetera ega.Belly achipedza
kudya akanzwa dzungu ndiye ziii pasi.
"Apa wagona Lee unofana kuuya uite
basa iri" said Waya

"Basa iri riri dangerous handide


hangu,saka todii nebitch iri"
ndakadaro.

Ndakatora foni yaBelly ndikaona ine


password ndakairovera pasi
ikatsemuka.Takamutakura tikamuisa
mune imwe room yanga ine rima yanga
ine kawindow kadiki zvekuti
haumubude ukafamba unodhumira
nekuda kwerima.Ndakasiya Waya
ndikaenda kumba kwangu ndaifara kuti
Belly tapedza naye takumirira kumuka
kwake.

Ndakasvika ndikatora kit yangu


yekumhanyisa ndikaenda
kuground.Ndakaswera ndichiita
masprint ema 100m nema200m pamwe
pacho ndaizvisetera time.Ndakaswera
ndiri muground zuva iri.Ndakuenda
kumba ndakasangana naKundai tete
vana Hilda.Ndaiwirirana navo kwete
zvakanyanya ranga riri fans rangu.

"Lee my favourite athlete"


"Hw ar you Kundie"

"Fine just missing you hauchabatike


mazuvano" akadaro

"Ndobatika kungoti topesana chete


ndakaneta regai ndimhanye padeni"

"Ndipe number dzako ndoda


uzonditumira mavideo ako" akadaro
Kundai ndakamupa number dzacho
ndikaenda kumba.
Ndakasvika ndikageza ndainzwa
nungo kubika ndanga
ndakatoneta.Ndakatoona kuti
kutonodya kumba kwana mama zviri
nani.Ndakabuda ndikaenda ndikasvika
vapedza kubika ndakadya ndikatanga
kutaura navo.

"Asi nhasi waswera kuground here


ndanzwa vanhu vachiti vakuona
uchitrainer yaa ramba wakadaro
mwanangu"

"Okay mama ko dada mavakaregerera


here"
"Ehe zvakapera handichengeti
chigumbu vakarara vari kurwara vari
kuramba kuenda kuchipatara" said
moms.

Ndakapinda mubedroom mavo


ndikaona vakarara.Andina kuda
kuvamutsa hangu ndakanamata
ndichibva ndatobuda kuenda kumba.

*HILDA*
Ndaishaya kuti mai vangu ndovaudza
sei kuti ndane mkomana.Hongu
vakamboti kana wanaye unotaura
hauzozive kuti vanozvitambira
sei.Elena akaona kunyarara kwangu
akatanga kudhomoka hake.

"Sis muri kufungei asi marambwa


naLee" akadaro Elena apa mhamha
vanga vakamira padoor ndofunga
vakazvinzwa chete.

"Hakana kukwana aka ,ukwane


wanzwa" ndakadaro.
"Saka mukuti andina kukwana
here"kakadaro kaElena kedzungu.

"Ehe unotorwara pfungwa"

"Ndoda kukuratidzai kuti ndorwara


pfungwa sezvamataura"

"Whatever kamurwere kepfungwa"

"Mhamha huyai munzwe manga


muchizviziva here kuti mane
mukwasha" kakadaro kachidaidzira.

"Iwe Elena unopenga here unodaidzira


kuti zvidiii mukwasha upi wauri
kutaura" vakabvunza mai vake.

"Mwana wenyu uyu ndiye ane


mkomana aida kunditenga nemari kuti
ndisataura manje anzwa butter
ndazvitaura anganditi ndorwara
pfungwa inini" akadaro Elena ameno
uyu anga akamboita sei mwana uyu
dzungu rake rakanyanyisa.Mhamha
vakabva vanditarisa neziso rine
mibvunzo hobho.
"Hilda don't tell me kuti ichokwadi
chikutaurwa unoda kunditukisa kuna
baba vake here nhai" vakadaro mai
vangu.

"Mhamha rovai munhu ataure


chokwadi mkomana wacho ndiLeeroy
Maviza" akadaro ndakabva ndapihwa
mbama namhamha.

"Saka waida kundiudza wamiswa kuti


une mkomana here iwe wakutozviona
sewa kura ,iwe Elena nyarara ukusekei
ndinokurova wanzwa chiii chosekesa
ipapa" vakadaro mai vangu vanga
vagumbuka ndakaipukuta
misodzi.Elena anga achipusa manje
anga akudemba nechazvitaurira anga
asina kutarisira kuti mama
vachatsamwa zvakadai.

"Mhamha matotsamwa inga wani imimi


makati makatanga kudanana nadad
muri zera rasis saka chii
chamunotsamwa tazvitaura kuti
muzive imi makutotsamwa" akadaro
Elena.Mhamha vakamupa mbama
kumusana yakamutsa CJ kanga karara
kakabva katanga kuchema pamwe
chete naElena wacho.Ini ndanga
ndazviunganidza mucorna mesofa.
Vakasimudza CJ vakabva vatobuda
kunze takasara tichinetsana naElena
anga akuchema.Ndaimutuka iye
aizvitaurirei adiii kungonyarara hake.

Dad vakazouya vasvika pamba pari ziii


pasina ari kutaura neumwe
zvakatovanetsanavo.Vanga vajaira
kuona Elena achitaurisa anga ari ziii
kunga asipo.

" asi kune kwafiwa here ndiri kuona


maface enyu akarembera" vakabvunza
dad.Elena akatanga kuchema.
"Mhamha vandirova kuti ndatau...."
akabva akatwa asati apedza kutaura.

"Shut up chaunochema chii andidi


kunzwa zvisina basa ndinokurova futi
uchatinetsa paucharoorwa iwewe"
vakadaro mai vangu nehasha.Dad
vakanyaradza Elena vakamugarisa
pamakumbo pavo kunga kamucheche
vainyanya kumuyemedza mwana uyu.

"Elena enda unogeza ndoda kuenda


newe kubasa unoona panoshanda
dad" vakadaro dad iye Elena achinzwa
izvi akafara akamhanya
kubathroom.Dad namama vakabva
vaenda kubedroom kwavo ndainzwa
mama vaipopota kuti panga pasina
kuwirirana.Ndakaenda kunoterera
ndaida kunzwa kuti inyaya yei
ikunetsa.

"Elena ndomuziva anotaurisa


ndozvaari anofana kutaura achiziva
pekugumira ndamurova nekuti atadza
kutaura chete" vakadaro mai vangu.

"Achiri mwana haufani kudaro Lucy


saka Hilda akatsamwei futi"
"Pane nyaya yandoda kutaura naye
ndozokuudzai daddy" vakadaro mama
vangu.

Dad vakati kana uchida kuenda handei


ndakavati tozoenda next time ndoda
kusara namhamha.Vakabva vabuda
naElena aifara zvisingaite zvekurohwa
anga atozvikanganwa.Ndakanorara
mubedroom mangu ndakazopepuka
pakapinda mai vangu.Ndakafunga kuti
vauya kundirova ndakatanga
kundirova ndakatanga kusvimha
misodzi ndichizviunganidza mucorna.

"Sorry mhamha ndomuramba hangu


Lee wacho please" ndakadaro.

"Hilda huya ugare apa andisi kuda


kukurova" vakadaro ndikaenda
kunogara pedyo navo.

"Hilda ndanzwisisa kuti une mkomana


asi uzive pekugumira kana unaye
ndoda akuroore mobva machata
ndonzwa kufara uri kuzvinzwa here
usabvuma kubatwa batwa muviri wako
kana achinyatsokuda anofana
kukuroora not kuita zvechihwande
hwande" vakadaro mai vangu
vakanditarisa ndakanzwa
kusununguka.
"Okay mama haasati ambondibata
hake anonzwisisa aitoti ari kuda
kunditora nemuchato" ndakadaro.

"Ndozvakanaka hauchaoni sorry


nekukurova mwanangu kungoti
pakutanga zvanga zvandirwadza hazvo
asi ndanzwisisa ndakaroorwavo
nababa vako ndichiri zera rako pamwe
chete nekuchata" vakadaro mai vangu.

"Hooo ndakaona mapictures enyu


muchiri kamusikana muina dad"
ndakadaro
"Mwanangu kwatakabva kure nababa
vako rudo rwedu rwairwadza vanhu
vakawanda vanhu vakaedza
kutipesanisa vakatadza satan
akazopinda akatiparadzanisa hona
manje tadzokerana vavengi vonyara
hakusi kugona kwangu asi ndiMwari
chinhu chese isa Mwari mukati"

"Hiiii shuwa"

"Hilda makumbo iwayo andidi avhurwe


zvisina basa anovhurwa kana
waroorwa please ndati ndidzokorere
ini usandinyadzisawo ndodada newe
mwana wangu" vakadaro mama
ndakaona vaiva worried vaindityira kuti
ndogona kuchachurwa poto.

"Mhamha andikunyadzisi i promise"

"Don't tell dad vako ndini ndoziva


matauriro andichaita navo asi Lee
wako uuye naye pano ndoda
kumuona"

"Okay mama"
"Asi anozokuroora wapedza chikoro
tinobvumirana here ipapo baba vako
vari kumbodawo nguva newe"

"Ummm aaah okay mama" ndakadaro.

Ndaida zvekutoroorwa naLee ndisati


ndatorerwa ini.Ameno tozonzwa kuti
mudhara vachati kudiii.Ndanga
ndakunzwa zviri nani ndakatora CJ
ndikatanga kutamba nako.Dad
vakazodzoka kwakutosviba
naElena.Takanzwa nekudadirwa
naElena regai mama vati mwana uyu
achanetsa aitaurisa zvekuti tete Kundai
vataiti vanotaurisa vanosara pasi.
_drop your comments_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 31*

[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:


*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587
*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 31*

*#PETSO#*

"Petso wakudada iiih hauchadi


kutaurawo neni" said Cindy.
"Cindy ndoda kutaura newe asi
haubatike ndotya futi kuonekwa
nagogo vako vanozoti ndokutaimira
muzukuru vavo" ndakadaro ndichiseka
hangu.

"Aaah kuti hausi kunditaimira here


avana pressure gogo vangu"

"Hooo Cindy do you know wakanaka


zvekuti ukazvitarisa pamirror
unonyatsozviona wega kuti yaaa
ndakasikwa" ndakadaro

"Hiiiii thanks hako ndanga


ndisingazvizive kuti ndakanaka mkoma
vangu Lee vanoti ndakashata"

"Ijealous kuti wakanaka kupfuura


musikana wake, my blood changed the
direction from the left ventricle of the
heart to the right ventricle kana
ndakuona" ndakadaro Cindy akatanga
kuseka ndakafunga kuti pamwe ndaita
broken english sezvo chirungu
chonetsa vakawanda pamwe iye ndiye
asina kunzwa zvandataura.

"Ummm Petso unonakidza ndazvinzwa


haa ndaseka nhasi" akadaro hake.
Akabva apinda pagate pavo
ndikadzokera kumba.Ndainzwa kufara
kana ndikataura naCindy mwana aiva
pamoyo pangu chero hake anga
asingandide hake.Ndakamhanya
kuenda kumba kwanga kwasviba
ndakasvika mai vangu vachitobika
sadza.

"Ko ndiani musikana wawanga


uchifamba naye"vakabvunza mai
vangu.

"She is my friend mazviona muri kupi


mhai"
"Ndakuonai ndichibva kuchibhorani
rega ndinyarare ndingazonzi ndoda
zvinhu"

"Aiwa mhai zvamuri kufunga


hazvisizvo"

"Okay unaenda kumba kwamai shamie


vana mkoma vavo vari kuda mkomana
anovabatsirawo basa vanogara
kwaMtare i heard kuti ndimachanic"
vakadaro mai vangu.

"Azvidi vanhu vakafunda here izvi ini


apana kwandoenda"

"Enda unonzwa vati ndikuudze


Patson"

Ndakangoti ndichaenda kuti zvipere


ndaiziva kuti apana pavaitora dofo
rakaita seni.Ndakamukira kuenda
mushure mekunga mhamha vati enda
izvozvi vasati vatora umwe.Ndakaenda
ndikasvika mai shamie namkoma vavo
vatoripo.Mkoma vavo vakati vaida
munhu anocleana mugarage mavo
nekuvabatsira zvimwe pavanenge
vachigadzira mota.Vakati vaiva vari
vaviri ini ndatova wechitatu ndakafara
ndichinzwa izvi ndakavatenda
kasingaperi.

Ndakaenda kumba kwaMaviza


ndikavaudza kuti ndasiya basa
vakanditenda nekushanda
kwandakaita vakandipa mari
yangu.Cindy akandipa ziso raive
nemubvunzo aifunga kuti
ndikujoka.Mama pandakavaudza
vakafara vakati wazviona waida
kuzvivhirira wega mukana wakanaka.

Cindy pandakazomuudza akafara hanzi


tichange tichionana zvedu.Ndakamupa
number dzangu tikaparadzana
zvedu.Mkoma vaMai Shamie vakauya
kunditora tikarova pasi.Vaiva nemwana
umwe chete asi vakasiyana nemkadzi
wavo.Vakati ndivati mkoma Brendo or
boss brendo.Takasvika pagarage pavo
panga pane tsvina isingaite kunga
panorasirwa marara.Ndakapacleana
kusvika pachena zvekuti vanhu
vakashamika kuona pari smart.Boss
Brendo vachiona izvi vakafara
vakandipa $15Us hanzi wotengawo
hembe mufana muno mava mutown
hakusi kumusha.

*LEEROY*
Waya akafona achiti Belly amuka
ndakaendako ndikasvika ndikamuona
atomuka zveshuwa.Ainyepera
kunzwisa tsitsi ndaishaya kuti mwana
uyu nemunakiro waakaita kwakuhura
ari kushayei zvechihure zvanga zvisina
kumufita.Kana uchida kuona vasikana
vakanaka vazhinji vacho mahure pinda
mubhawa unovaona.Ndati vazhinji
vacho handina kuti vese.

"Belly ndiani akutuma kuti undiisire


mushonga muchikafu" akabvunza
Waya.
"Apana andituma ndipeiwo chikafu
ndine nzara ini" ndakatora ndikamupa
akadya.

"Waguta chipindura watumwa nani"

"Apana andituma please ndisiyeiwo


ndiende" akadaro

Clever akaratidza Belly video raisa


mushonga muchikafu
akatopererwa.Waya akatora shamhu
achida kurova Belly.
"Mirai nditaure ini andina mhosva
ndikungotumwai mushonga wandaisa
unodhakisa chete haurayi unoita urare
kwanguva yakareba" said Belly

"Taura kuti ari kukutuma ndiani


mission yake ndeyei"

"Boss Clever ndivo vakandituma


vakati vanondipa mari kana
ndabudirira dhiri iri, ari kuziva ndimi
mukuona nezvenyaya yekurepwa
kwaJane naYollanda, ndiye akavarepa
ameno mhiko dzake dzakapihwa
kun'anga dzakanzi anofana kurara
nemhandara ini akandirepa akaona
ndisiri mhandara akabhoekana
akazorepa munin'ina wangu Anna ane
14 kutaura kudai atori nenhumbu
,Clever akati anondiuraya kana
ndikataura saka ndotoita zvaanoda
chero kutaura kumapurisa nyaya
yacho inongotsikwa tsikwa kutaura
chokwadi zvikundirwa dai
mandibatsirawo Clever atitambudza
vana sikana vangapedza kurepwa
naye" akadaro achichema.Saka Clever
imhiko dzei dzaiita dzekurepa vana
sikana mhandara ndakanzwa
kurwadziwa.Kana neni ndakarwadziwa
ndakatombofunga kuti ndeumwe
Clever ari kuita izvi asiri uyu
wandoziva.Waya akarecorder zvese
zvakataura Belly.
Takamuti Belly ambogara mumba umu
asabude kunze achida chinhu
anotiudza tomuunzira.Akati timuunzire
munin'ina wake takanomutora
ndikaona izera rimwe chete
naElena.Ndakarwadziwa kumuona aine
nhumbu anga achiri mwana.Belly akati
vaiva nherera vabereki vakafa kudhara
vachiri vadiki saka Belly aita
zvechihure iri way yekutsvaga mari
yekuchengetana nemunin'ina
wake.Ndakanzwa tsitsi andidi kunyepa
misodzi yakatombobuda.Ndaiva
nemari yakawanda ndaifana
kubatsirawo vanotambur kunyanya
nherera kufirwa hakusi
kuda.Ndakafunga kutsvaga nzvimbo
yandingatenga ndizokwanisa kuvaka
dzimba ndodzipa vanotambura kana
ndikadaro Mwari vanondirangarirawo.

Takasiya tavapa chikafu tikabva


tabuda asi macamera hatina kubvisa
taida kuona kuti vari safe here.Clever
akabatwa anofana kupihwa death
penalty kwete kumuvharira.Dai
mukaona Anna mainzwa tsitsi mega
mwana mudiki here veduwe.Mwari vari
kuona havasi hwai.

Hilda akandifonera achiti audza mai


vake kuti todanana ndakanzwa
kufara.Akatexta achiti mai vangu
vakuda kukuona uuye
mangwana.Ndakageza ndikaenda
kumba kwaWaya ndikavaraidza Belly
naAnna ndikazoenda kumba
kwangu.Ndakamukira kuenda kumba
kwana Hilda asi hana yairova.

"Leeroy vari sei mhamha vako unavati


hanzi neni musadaro makuvhaira"
vakadaro mai vangu.

"Vari bhoo zvavo okay ndichavaudza"


"Okay Lee ndoda unyatsotererera
kukudaidza kwandaita azvirevi kuti
ndakuchatisai kana kukupai mvumo
yekuita zvamoda naHilda, andidi hangu
kuvhiringidzirwa mwana wangu please
kana kumupa stress" vakadaro mai
vangu

"Okay ndiri kunzwa mhamha mwana


wenyu ndichamuroora zviri
pamutemo"

"Ndozvakanaka manje hauchiona here


asi uchambomira kuti apedze chikoro
wapanzwa"
Ndakaona kuti mwana wavo
vaimudisisa vanga vasingadi naye
ndakaudzwa zvakawanda.Asi
pakumumirira ipapo vakandiomesera
nemiedzo yandikusangana
nayo.Vapedza ndakabuda Elena
akandiperekedza kusvika pagate
ameno sei Hilda asina kundiperekedza
pamwe kunyara mai vake.

Ndakaenda kumba kwangu ndikasvika


Cindy aripo ndakashaya kuti auya
nguvai.Ndakataura naye ndikabva
ndaenda kurara kumirira Hilda
kwaindiremera andidi kunyepa.Pese
pandinenge ndakamira ndinenge
ndichipona nei asi vandiomesera
zvavo apana zvandinokwanisa kuita.

*HILDA*

Pakabuda Lee ndakanyara


kumuperekedza ndakaramba
ndakagara.Mhamha vakambopedza
nguva vakanditarisa kunga vaiwona
chinhu pandiri ndakatarisa pasi
zvangu.Vakabva vaseka zvavo
ndakashaya kuti vaisekei.
"Aaah mhamha mukusekei mega"

"Zvauri kuita Hilda ukunyarei nhai


nhasi ndaonerera kubva pasvika Lee
wanga uri zii wakangotarisa pasi
mutsipa hausa kurwadza here"
vakadaro mama.

"Aaah mama handisi kunyara kungoti


mazuvano andichadi zvekutaurisa"

"Hooo ndanzwa nababa vako


takaronga kuti uende A level wapedza
woenda kuUniversity kana Lee
achikuda anokumirira wazvinzwa here"
vakadaro

"Ndazvinzwa mhamha" ndakangodaira


hangu asi ndakaona kuti vaitiomesera
naLee vakutituma tizoita zvimwe
zvinhu.Aah Lee kundimirira makore
ose iwayo asi pane anenge achiponesa
kani ndaitya kutorerwa mufesi wangu.

Ndakaenda kumba kwaLee ndikasvika


paina Cindy,Lee anga aenda kutraining
hake.NaCindy takapinda mutown
tikasangana naClever.Takamuignowa
atina kuda kutaura naye.Iye akada
kuita zvedzungu tikamupedza dzungu
rese akanyara vanhu vese vanga
vatarisa vachiona
tichimutuka.Akazoenda kumota kwake
akarova pasi.

"Tasha ukamuona auchamuzivi


akutambura kumusha uko andifunge
ane preparation ini" akadaro Cindy.

"Hiiiii Cindy ngatimubatsire


nepatigona napo chimbogaya dai
uriwe waitambura kudaro"

"Hilda uyo siyana naye wakanganwa


kuti ndiye uya aida kukuparadzanisai
naLee"

"Zvakapera zviya andichengeti


chigumbu munhu akatadza
anoregererwa" ndakanyengerera Cindy
aiomesa moyo akazonzwisisa hake.

Takatenga preparation nezvimwe


zvinhu zvakwanda tikaenda kumusha
tiri mumota maCindy.Takasangana
naTasha akagara pabridge misodzi
yakaoma pamatama ainzwisa tsitsi
hembe dzaanga akapfeka dzanga
dzatsakara.Paakationa akapfugama
akakumbira ruregerero
takamuregerera.Takamupinza mumota
tikaenda pashop tikamutengera hembe
dzake nekuti ndidzo dzatanga tisina
kutenga.

Akatitenda kasingaperi
takamuperekedza kumba kwavo
takasvika mai vake vakagara
pamushana.Dumbu ravo ranga
rakutokurawo pavakationa vakapinda
mumba.Ndakaona kuti vanga vasiri
kuwirirana naTasha aigara make ega
achibikira.Takamupa key yekukiya kuti
asazobirwa nana mbuya mutekede.
"Hilda naCindy maita basa mabatsira
mweya waMwari rambai mune rudo
rwakadaro mukaona Lee mumuti hanzi
neni sorry" akadaro Tasha.

"Okay Tasha tichamuudza"

"Hilda ndiwe unowirirana naPetso


ndoda utaure naye adzore moyo
ndichiri kumuda nemoyo wese" said
Tasha.Cindy akabva atsikitsira pasi
ndakaziva kuti zvamubata
bata.Ndaishaya chii chaimubata iye
akaramba Petso wacho.
"Ariko kumba kwavo here ndinotaura
naye" ndakadaro.

"Aiwa akushanda kutown kwaMtare"

Ndakamusiya ndamusimbisa
ndichimuti ndichaita plan
mudzokerani.Cindy anga atochinja
kuda kutaura naye aingopindura ma1
word answer ndakasiyana
naye.Ndoshaya kuti aitsamwei iye akati
haadi Petso.
Thanks nemacomments enyu Mwari
vakuchengetei

_Hanzi nasomeone Clever akabatwa


ngaitwe death penaltyndarwadziwa
naAnna mwana mudiki hre_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 32*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 32*

*#HILDA#*
"Cindy ndoshaya kuti chii
chawatsamwa inga wakati Petso
wacho haumude" ndakadaro ndaona
munhu anyanya kunyararisa.

"Akuudza kuti ndatsamwa ndiani


handimude haisi type yangu" akadaro
Cindy

"Saka type yako ndoyakaita sei nhai


Cindy"

"Hilda kani imbonyarara musoro


wangu ukurwadza" ndakaona kuti
masasi ekusada kutaura.

Ndakabva ndatonyarara zvekutaura


nemunhu anoda zvekunyengererwa
andizvigoni.Cindy aida Petso asi
aisangoda kutaura hake ameno hake
paachanzwa kuti Petso aane musikana
kana kuti adzokerana naTasha kuti
anonzwa sei.Takasvika pamba pavo
panga pasina munhu ndakaenda
kumba kwedu.Ndakasvika mudhara
varipo zuva iri vanga vakurumidza
kubva kubasa.

"Eeh Mbuya Mtetwa huya apa tinzwe"


vakadaro dad vangu vachireva ini.

"Aaaah dad mungabva manditi mbuya


here nhai asi ndakurisa" ndakadaro.

"Haaa handichati sis ndakukuti mbuya


Mtetwa haa dad munowanza imimi"
akadaro Elena achiseka zvanga
zvamunakidza.
"Hilda watotsamwira dad nhai huya
ugare apa mese naElena" vakadaro
dad vangu.Takaenda kunogara
kumaside kwavo ivo vari
pakati.Vakavhura photo abulm
vakatiratidza mapics evabereki vavo
nevamwe vavaizvarwa navo
vakashaya.

"Hilda wakafanana namai vangu


ndosaka ndakuti mbuya Mtetwa" said
dad vangu.

"Ehe zveshuwa tete kundai nemi dad


mafanana futi nagogo ava inini futi futi
ndakafanana namhamha vangu"
kakadaro Elena.

"Ndazvinzwa muporofita madzimai


Elena"

"Haaa ameno uchanzwikwa


namhamha" akadaro Elena.

"Asi mai venyu vanoporofita here"

"Hamuzvizive here dad vanonamatira


vanhu vachipora kana kuroteswa
zvinoda kuitika paya pavakarasa
chik....." ndakamukata asati apedza
kutaura.
"Dad ndamirira chitaura zvamaida
kutaura neni"

"Okay ndafunga kuti uende kuchikoro


panovhurwa zvikoro second term iyi
mangwana ndichanotsvaga nzvimbo
pagirls high" said dad.

"Aaah dad pagirls andipadi ini"


ndakadaro.

"Mama vako ndivo vakati ndikuisei


pagirls high mese pari bhoo apana
anoita zvevakomana ndikangonzwa
kuti pane akuita zvevakomana
ndomurova akafira mumaoko angu
mese muchiri vana vadiki" vakadaro
dad hana yangu ikatanga kurova saka
mama vanga vasati vavaudza
dad.Elena akatanga kuseka
akanditarisa ini ndakabva ndamutora
asati ataura zvimwe kuna dad.

Takabuda tikatanga kufamba


takananga kuground.Zuva ranga
rakuvira takaona Lee ari muground
achirova masprint ummm mkomana
uyu aimhanya hake kwete
zvekufungidzira.Takaenda paari
akafara kutiona akatanga kumhanya
takamubatira time.Elena akaita nharo
hanzi Lee haundisiye vakaenda
pa100m Elena akatungamidzwa ne20m
asi akasiiwa kunga akamira gap racho
rokwana mabhazi 4.Takabva tagara
pasi tikatanga kutaura nyaya
dzakasiyana siyana.

"Mkoma Lee ndine mubvunzo


wandikuda kubvunza" said Elena.

"Bvunzai henyu mainini"

"Ko sei varume musingagutsikane


nevasikana kana vakadzi venyu umwe
unomuona ane mkadzi akanaka ane
magaro nemahips asi anogohura
chimbori chii chiri pamuri varume"
akabvunza Elena.

"Varume vanosiyana mainini kune


vamwe vakadzikama, chinoitika uhure
pamwe pane zvaunenge usingadi zviri
pamkadzi wake like utsvina kana
kusagona kubika kana kudhakwa
pabonde chandakaona ukaita
zvekutizirwa usina plan yekuroora
hamugarisani zvokonzera muhure asi
ukaroora moyo wake wakunzwa kuda
kashoma kuhura" akadaro Lee.
"Hooo ndazvinzwa saka sis vangu
mukavaroora amuzovahurire here"

"Ehe handimbohuri" foni yaLee


yakabva yarira Elena akaibvuta
akaidaira akaisa paloud anga ari Jane
aifona.

"Hello ndokubatsirai nei Mrs Jane itai


gagagagaga ndoda kubikira murume
wangu izvozvi" akadaro Elena.

"Ummm ah sorry I think ndaita wrong


number sorry henyu" akadaro Jane.
"wrong number muchifonera murume
wangu imi mbuya hatidi zvenoise nemi
stay away from my man nxaaa"
akadaro Elena akabva atokata foni
yacho.

Lee haana kufara nezvakaita Elena


ndakazviona hangu.Ini ndakafara Elena
akagona kudaira manje ndosaka
ndichikada kamupfana kangu chero
dzimwe nguva
kachimbobhaiza.Ndakatoona kuti Jane
anenge aida Lee chete aida kuita close
naLee.Ndakaona kuti ndikaita
zvekutamba vanhu ava vanogona
kudanana ndisingazive kana kutorara
vese Jane
handichamuchenesi.Ndakaudza Lee
kuti andipe foni yake ndiende nayo iye
oenda neyangu asi akaramba.

"Saka ukuda kutaura nana Jane ka"


ndakadaro.

"Aiwa bbe ndozokupa mangwana


nhasi pane zvandoda
kumboishandisa" said Lee.

"Hooo zvinhu zvacho zvakakosha


kupfuura inini"
"Hilda ndinzwisisewo please ndokupa
mangwana woita week unayo"

Ndakatoona kuti aida kutanga audza


mahure ake kuti musatexta
ozondipa.Ndakaramwa ndakatora
mwana wamai vangu tikabva
taenda.Lee akaedza kutitevera
achiedza kundinyengerera
ndakagumisira ndakumutuka
ndakaona kunga aindiitisa chii
chaimutadzisa kundipa foni
yake.Ndakabva ndafunga Clever
paakambondiratidza mapics aLee
akakisana nemucalad.
*LEEROY*

Zvakaita Elena zvekudaira foni yangu


achitaura zvisina basa handina
kuzvifarira.Jane anga asina mhosva
neni munhu aindifarira ifans rangu
futi.Jane ndaingomufarira not kuti
ndaimuda ndaida kungoti
angokanganwa mamemories ekurepwa
kwake chete.Foni yangu ndaida
kuishandisa kutaura naWaya kunzwa
kuti zvakamira sei saka ndakaona kuti
kuudza Hilda aisazonzwisisa.

Hilda akaenda akatsamwa ndakaedza


kuda kutaura naye akagumisira
akundituka ndakaona aifunga kuti ndiri
kumuitisa.Hilda ndaimuda asi mai vake
vaindiomesera kuti ndimumirire atange
apedza chikoro ndozomuroora
zvaisaita zvakundituma kuti nditsvage
anofana kundiponesa ndakamirira
Hilda wacho.Imi musatamba
nekumirira munhu kuzoona opedza
panenge pachasvika kana 4 or 5years.

Ndakaenda kumba kwangu


ndichifunga kuti ndichadiii nenyaya
yaHilda.Imwe pfungwa yaiti rova poto
aite nhumbu asi ndakaona kuti
ndinenge ndaita hutsinye better
kumumirira hangu asi ndotsvaga
anondiponesa hangu.Hilda aiva
pamoyo pangu handifunge kuti pane
umwe musikana wandichazoda
semadiro andinoita Hilda.Asi Hilda
wacho ndaizomuona mamovement kuti
haasi kundicheater here pane
pekuzomirira munhu ari kuchachurisa
poto.

Ndakafonera Jane ndikamuti sorry foni


yanga ine mainini munin'ina webabe
rangu.Ndakabva ndamuti auye kumba
kwangu mangwana acho.Ndakazama
kufonera Hilda asi aisadaira foni yake
kana matext aisapindura.Ndakaona
pastatus pake paiswa paiswa umwe
mkomana akanyora kuti my bro
Kelvin.Kelvin ndaimuziva hangu
ndakadzidza naye mufana anga
akanyararisa hake.Ndakaenda kumba
kwaWaya ndikasvika vachitodya nana
Belly.

"Clever auya kubasa kwangu asi


aitaura naBoss vangu I think akuziva
kuti Belly amufumura apa aiedza
kutyisidzira boss vangu kuti nyaya iyi
isiyiwe yakadaro" said Waya.
"Wadiii kumubata ipapo achagona
kutiza"

"Ndoda kumubata zvakangwara


asingafungire mira uone hako izvozvi
ndoda kumboita kunga ndisinei naye"
akadaro Waya.

"Okay take of Belly naAnna"

Ndakaenda kumba kwangu ndikasvika


nekurara.Mangwana acho
ndakanonoka kumuka andina kana
kuita training yemakuseni.Jane
akazosvika masikati anga akachena
zvake mwana uyu akasvika
nemasahwira ake.Masahwira ake
akatorwa maselfie neni vakabva
vaenda ndikasara naJane.

"Sorry nezvakaitika nezuro" ndakadaro

"Okay zvakapera ndanga ndakusuwa "

"Really unodiii kungouya kundiona


paunondisuwa" ndakadaro.
"Ndotya kutukwa nemusikana wako"

"Musikana wangu haatuke vanhu


anozviziva kuti uri shamwari yangu"

Takanogara kuseri kwemba tikatanga


kutamba chess zvedu nyaya
dzichitsva.Ndaimubvunza ari sei
mkomana wako akati andifunge kuti
pane achandida everyone akuziva kuti
ndangova churu
ndakarepwa.Ndaimusimbisa ndichito
don't worru uchawana wako
anokuda.Nyaya yekurepwa kwake
yainyanya kumubata zvakanyanya
ndakaona kuti aida munhu anogara
achifara naye anoita kuti asafunge
nezvazvo.Ndakauperekedza Jane
ameno kuti akaita sei akadonha akati
atadza kutsika aminyuka
gumbo.Ndakamusimudza ndakuenda
naye mumba kuti ndinomutswatura
paminyuka pacho ndipo pakabudikira
Hilda.Akanditarisa maziso ajenga
misodzi anga akufungira
zvisizvo.Ndakaida Jane pasi ndikakiya
gate kuti Hilda asabude.Ndakamuti
nditevere ndakatakura Jane
ndikamupinza mumba
ndikamutswatura gumbo rake.Akuda
kubuda anga akutadza kufamba
zvakanaka ndakumuti amire.
"Hilda zvauri kufunga hazvisizvo ,Jane
is my friend aminyika ndaida
kumutswatura gumbo" ndakadaro.

"Ndambokubvunza here Lee ndivhurire


gate ndoda kuenda" akadaro
Hilda.Jane anga akatsikitira pasi
akatanga kutaura naHilda achiedza
kumuonesa kuti ini naye apana
iripo.Hilda akangoti azvinzwa asi
ndakaona kwaingova kungotaura
ndakamuvhurira gate akabva
atoenda.Jane akakumbira ruregerero
ndikamuti hauna mhosva akabva
atoenda.Ndakambogara pasi
ndichigaya kuti Hilda ndichamuudza
sei anzwisise best way kumupa foni
yangu aone ega kuti apana iripo.

Ndakapinda mutown ndikaona Hilda


akagara naClever muchicken
inn.Ndakanzwa hasha andidi kunyepa
ndakanobata Clever colla iye akaramba
akadya easy kunga munhu
kwaye.Hilda ndiye akandibata abva
atoti Lee it's over achindiratidza
mapics aiva mufoni
maClever.Ndakapererwa
nezvandakaona mapics angu
ndakakisana nemucalad mapics iwayo
nde akudhara ndichiri kuhigh school
ndakashaya kuti Clever
akamaonepi.Ndakaedza kutaura
naHilda asi ndakaitwa benzi
ndakatukwa ndakaona kuti pane
zvaitika chete ipapa haisi nyaya
yemapics chete.

_Jane munomuona sei_

_Lee atorambwa zveshuwa here chiii


chapinda Hilda_
*WATCH OUT FOR CHAPTER 33*
[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 33*
*#LEEROY#*

Kurambwa naHilda kwakandirwadza


ndoshaya kuti akatadza
kundinzwisisawo sei.Ndakavasiya
ndikaenda kumota kwangu vanhu
vanga vatarisa ndaiitwa benzi
ndakanochemera mumota
mangu.Zvekuti mkomana haachemi
kunyepa unenge usati wasvika
padambudziko rakaoma rekuti
unoshaya kana option.Ndakatenga
doro rangu ndikaenda naro kumba
ndaimhanyisa mota kwete zvekutamba
pfungwa dzangu dzisisashande mushe
ndaingofunga kuti ndichaita sei
zvandarambwa nechido chemoyo
wangu.Clever ndomuziva akadanana
nemusikana haatambise anorara naye
achida asingade ndizvo zvainyanya
kundibata.

Ndakatoona kuti doro ndiro raigona


kundibatsira panguva iyi.Ndaingonzwa
nevamwe vaiti ukanwa doro uinr stress
inopera hauzofunge
zvakawanda.Ndakatanga kunwa doro
apa raindishatira sei asi
ndingoshingirira kunwa
hangu.Ndoshaya vanonwa doro
everyday rinovanakira
pakudiii.Ndairidzikisa ndakagara
pasofa foni yairinger ndakambofunga
kuti ndiHilda akufona achida kuti sorry
ngatidzokerane ndakaona ari Cindy
ndakasvotwa.Ndakaenderera mberi
nedoro rangu kusvika ndakuona kunga
imba yangu iri kutenderera
ndakatanga kuvhiringika ndofunga
rakuchishanda.Ndakaona padoor
pakapinda musikana ndakafunga kuti
ndiHilda ndakamumbundira
ndikamukanda pasofa ndaida
kumurova poto.Takatanga kurwisana
nemusikana iyeye ndanga ndatova
pakati pemakumbo ndaida aite
nhumbu Hilda tione anondiramba sei.
"Nhai Mwari Lee I am your sister
ndinzwirewo tsitsi usandidaro"
akadaro musikana uya achindirova
rova kurwisana neni ini ndaiva
ndichinetseka kubvisa
bhande.Rakanditorera time ndingadai
ndatopedzera Hilda wangu.Zvake
zvekuti I am your sister
ndezvekupenga.Musikana uya
akandipusha ndikanodonhera pasi
ndakatanga kuedza kubvisa bhande
but raitonetsa.

"Haunyare uda kundirepa ndoda


kuvaudza mhamha unonwirei doro
racho kana risingakubvume Lee Mwari
ave newe ziva kuti inini neni
tatovengana dai ndisina simba ungadai
watondirepa asi chiii" akadaro
musikana uya pandakaswedera pedyo
ndikanyatsoona ndiCindy mwana
wamai vangu.Ndakachema
ndakamutarisa iye aitopukutawo
misodzi anga akutobuda
ndakamumisa.

"Sorry my lil sis Cindy andizive chiii


chandipinda ndanga ndichifunga kuti
ndiHilda sorry please usaudza
mhamha" ndakadaro

"Siyana neni iwe ndoda kutovaudza


hauna kukwana even Hilda wacho
ndikuda kumuudza futi"

"Okay Cindy ita hako zvawanzwa kuda


dai waenda hako kumapurisa i derseve
kugara mujeri apana chinondirwadza
nekuti Hilda wandaida andiramba"
ndakatanga kuchema zvainzwisa
tsitsi.Ndaimbofunga kuti ndiri kurota
asi chaive chokwadi kuti Hilda
andiramba.Cindy akanzwa tsitsi
akauya kugara paside pangu akaedza
kundibvunza zvaitika.

"Hilda andiramba ameno ndichirarama


sei nekuti mwana uya ndomuda Cindy
zviri nani ndife nekuti akuda Clever
rapist"

"Hiiiii sorry Lee andichataure kwacho


zvapera asi musazozviita kana kunwa
doro next time munogona kana
kutorara namama or umwe musikana
muchifunga kuti ndiHilda ndiudzei
zvaitika" akadaro Cindy.Cindy
ndakamutaurira zvaitika zvese
akarwadziwavo akati taizotaura nyaya
yacho kwachena
mangwana.Akandiendesa kuroom
kwangu iye akanozvikiyira muroom
make achibva arara.Akarara akakiya
aifunga kuti pamwe ndogona
kumumukira ndikashudha beans
ameno.Andina kuita ndichida asi doro
ndiro raitonga mandiri.Mangwana
ndakanonoka kumuka, ndakamuka
ndichiona mhamha naCindy vakagara
mudinning vachitaura zvavo nyaya.

"Lee ndanzwa kuti nezuro wanga


wakadhakwa saka wakanwa nekuti
wakarambwa naHilda here" said moms
vangu.Ndakatanga kufunga zvakaitika
nezuro ndanga ndakunyara kutarisana
nehanzvadzi yangu iye akazviona
hake.

"Bro forget zvane zuro ndakaona kuti


idoro raitonga asi next time musanwe
mukaita dambudziko munotaura
tobatsirana iye akati doro ndiro
rinobvisa stress akanyepa"said Cindy.

"Okay ndazvinzwa mama ndiri


kurwadziwa pamoyo chaipo Hilda
akandiramba I can't live without her
kana muchikwanisa taura naye nguva
iripo nekuti kufa kuri nani musikana
wangu ndomuda mhamha"

"Ndiri kuzvinzwa Lee chiii


chanyatsoitika" ndakavatsanangurira
zvaitika zvese.
"Hilda ndomunzwisisa zvorwadza
kungoona mkomana wako akakisana
neumwe musikana pamusoro pacho
muskana wacho mucalad futi zvoita as
if washoora Hilda" said Cindy

"Cindy dai uri umwe wataura naHilda


ndiwe unowirirana naye handifare
kuona mwana wangu akadai ini
mufonere auya pano Hilda wacho" said
moms.Cindy akafona Hilda akamboda
kuramba asi akazobvuma mama
pavakati ndivo vakuda
kumuona.Akauya hake Hilda asi anga
asina mufaro pachiso chake.
"Hilda ndoda kuti unzwisise mapics
awakaona nde akudhara ndichiri
kuhigh school panga pari pavacation"
ndakadaro.

"Lee usatombinyepera hako, mhamha


kutaura chokwadi mwana wenyu
ndaimuda but ari kundiitisa anovharira
Jane pano mapics iwayo haasi
akudhara nemusikana iyeye muchiri
kudanana" akadaro Hilda.

"That girl anonzi Tsungie akafa tiri


maA level hongu takadanana but
kudhara unabvunza Kevie mkoma vako
vanozviziva" ndakadaro.
"Ko Jane anenge achitsvagei pano
taura tinzwe" said Hilda.

"Jane iyeye andidi kumuona pano uri


kuzvinzwa here Lee sarai mutaurirane
zvakanaka" vakadaro mama vangu
vakabva vatobuda.

"Hilda ndoda usazotungamidza hasha


usati wanzwisisa pane nyaya,ndiwe
wandoda uite muroora wedu siya
katsika kekuramwa ramwa ndini tete
ndikukugadzirisai" akadaro Cindy.
"Tete Cindy zvobhowa zvoita Lee
anondinyima foni yake"

Cindy akataura neni achinditsiura


hanzi munofana kunzwisisana.Haana
kugarisa akabva aenda hake ndikasara
nechido chemoyo wangu.

"sorry nekusanzwisisa side rako I love


you with all my heart daddy Lee, you
are my everything nezuro andina
kutorara ndichikufunga" akadaro Hilda
ndakanzwa kufara pandakanzwa
mashoko aya.
"Okay Mai Maviza zvapera apa i miss
you sweet lips" ndakadaro ndikaona
munhu akunyara.

"Aaah daddy ka"

Ndakabva ndamutsvoda ipapo ipapo


zvenzara zviya.Ndaibata chivakashure
chake ndikakwidzira kadress kake
ndikamuradzika pasofa ndikaenda
pakati pemakumbo ake.Ndakatanga
kumubata mazamu ake anga
akufemera padenga kana ini ndanga
ndashatirwa ndakabata kuzasi anga
atota kare.Pakuti ndichiita basa munhu
akaramba ndakarwadziwa ndakaedza
kumunyengerera akaramba hanzi I' m
not ready Lee.

*HILDA*

Cindy paakafona achiti ndiuye kumba


kwaLee ndakaramba ndakaziva
atumwa naLee.Payakazodairwa namai
vake ndakashaya marambiro ndakabva
ndatoendako ndichifambisa.Lee
ndamuda asi aindirwadzisa sei
asingagutsikane neni asi ndoshooresa
here.Kana iri nhau yekuda sex anodii
kundimirira nhai anofa here
akandimirira zvoreva kuti ahandiide
kana achitadza kundimirira.Clecer
akaedza kundipfimba muchicken inn
achida kutora advantage yekuti
ndaramba Lee asi ndakamuti andidi
zvangu.

Lee ndakamuregera ndanzwisisa


nyaya yacho.Takatanga kukissana
achindibata muviri wangu zvekuti zuva
iri ndakatoti kana humhandara hwacho
ngahuende hanty Lee wacho
achandiroora here.Lee aindibata
zvainaka so ameno zvandanga
ndakunzwa ndanga ndakufemera
pamusoro zvekuti ndanga ndakunyika
yangu ndega.Lee paakabudisa chinhu
chake ndakabva ndafunga mama
vangu vachiti usavhurira mukomana
asati akuroora makumbo andidi
kunyadziswa.Ndakabva ndamumisa
Lee akaedza kundinyengerera
ndikatsika madziro.Ndaitonzwa
kudawo kuiswa panguva iyi asi
ndaisada kunyadzisa mai vangu.Lee
haana kuita nharo akabva aenda
kunogeza akadzoka tikatanga kuita
nyaya.

"Hilda andidi kuona uchitaura


naClever"
"Iniwo andidi kukuona uchitaura
naJane"

"Bbe dai wainyatsoziva kuti


ndongomubatsira anondinzwisa tsitsi
chete"

"Andidi kuzvinzwa izvozvo


zvandataura wazvinzwa pano andidi
kumuona"

"Hilda nzwisisa dai wati hako asauya


usipo ndinganzwisisa"
"Aaah okay Lee autaure naJane
ndisipo anouya pano kana ndiripo asi
remember mai vako vati andimude
pano"ndakadaro

"Okay thanks nekunzwisisa ,mama


avangazvinzwisise"

Ndakaudza Lee kuti ndikuda kunoita 2


days nefoni yake haana kuramba
ndakamuti anosara nayangu.Clever
akafona pafoni pangu akatukwa naLee
hanzi rapist siyana nemusikana
wangu.
"Ko sei wati rapist nhai"

"Uri murima Hilda mkomana uyu ari


kurepa vana sikana ndiye akarepa
Jane"

Hana yangu yakarova pandakazvinzwa


hoo nhai saka aindinyengerera kuti
ndinoona paanogara aida
kundirepa.Ndakabva ndamutya
nekumuvenga ndakaudza Lee kuti
musungisei akati very soon
akuvharirwa.Lee akanditsanangurira
zvakawanda zvaiitwa naClever
ndaisamufungira kuti
angadaro.Takaswera takutofara
tichiudzana mashoko erudo.Takaenda
kumba kwa Waya PI waLee tikasvika
ndichiona rimwe zi yellow born ranga
rakanaka nekamwe kamwana kanga
kane nhumbu.Zera racho raElena
ndakabuda misodsi ndakakatarisa
shuwa Clever haana tsitsi akabatwa
anofana kuuraiwa not kuvharirwa
angazobata vamwe varume chibharo
kumajeri.Ndipo pandakaziva kuti
muyellow born uyu ainzi Belly ndiye
sisi vaAnna.Ndakataura navo
vainzwisa tsitsi ndakanzwa
kurwadziwa pandakanzwa kuti Belly
aitengesa muviri wake kuti
achengetane nemunin'ina wake.

"Lee musikana wawauya naye ndiani"


akabvunza Waya.

"She is my girlfrent very soon anenge


ava mkadzi wangu"

"Wow isimbi wakazvibatira apa asi


akafanana naKundai" said Waya.

"Makamuziverepi Kundai "


ndakabvunza.

"She is my ex asi mune ukama"


"Nditete vangu"

Waya naLee vakabuda panze


vakamboita kunguva variko.Pakadzoka
Lee takabva tabuda ndaimubvunza kuti
Clever wacho mubatei asati atiza akati
Waya aronga kumubata nhasi chaiye
akavarairwa.Ndakanzwa kufara
ngaabatwe apihwe death penalty
vakasaita izvozvo vanenge vaita
hutsinye.Lee aka ndisiya pagate pedu
mhamha vanga vari pagate ameno
mkadzi wavataura naye.Ndakanyara
kuti vandiona ndichidzika mumota
maLee asi apana havo
zvavakataura.Dad vanga varimo
vatobva kubasa vakandibvunza kuti
ndiri kubvepi mama vakabva
vanditarisa ndakati ndikubva kumba
kwana Cindy.Dad vakadeedza munhu
wese vakati ivo namama vari kumukira
kuenda kuSA pane zvavaida
ikoko.Apana zvavaida ndakatoona kuti
vaida kunofara vari vega chete vaida
nguva vari vega sevanhu
vakamboparadzana kwenguva
yakareba.

"Kundai pano andidi kudzoka


ndichinzwa kuti wainetsa vana
vangu,CJ muchasara naye Hilda na
Elena take care of CJ" said dad.
"Ndoda kuendawo ini dad" said Elena.

"Izvozvi hauna passport dont worry


next time toenda tese as a family
izvozvi tine zvatikufambira
zvakakosha"

"Zvakakosha zviii izvozvo" akabvunza


Elena.

"Elena iwe nyarara mhani haunzwisisei


sei" vakadaro mai vangu.Elena akabva
atsamwa aida kuendawo.Ndakaona
Elena aisada kubva pana mhamha
kwese kwavaenda anenge achida
kuendawo.Vana mama vakamukira
vakabuda takazomuka vatoenda.Tete
Kundai vakangotora chikafu
vakanodya vakazvivharira muroom
mavo.Zuva iri ndakaswera pamba.Jane
aisenda mamessages pafoni paLee
achiti i miss you wat wat ndakazviona
anoda mkomana
wangu.Pazvakaonekwa naElena
akabuda akaenda kunoknocka pagate
pana Jane.

"Jane haugoni kutsvaga wako


mkomana here siyana naLee wasisi
vangu" said Elena.

"Sorry Lee is my frent musamhanyisa


pfungwa I know musikana waHilda
andina hutsinye hwekutora mkomana
wemu nhu kungoti munhu
akandibatsira" said Jane.Elena
akaratidza Jane mamessages aisenda
ndakaona akunyara aisafungira kuti
tine foni yaLee.Akangoti kumusuwa
hazvirevi kuti ndomuda asi kuti
ndasuwa kutamba chess
naye.Ndakatora Elena tikapinda
mumba.

Manheru tapedza kudya takurara Elena


aiva kudinning achiona TV CJ kanga
karara.Ini ndaiva muroom mangu
ndichitaura naLee pafoni magetsi
akabva angodzima ndakafunga kuti
apera kudongorera panext door aripo
wani.Ndakatanga kutya ndakaona
ndavhenekwa nezilight rairwadzisa
maziso angu ndakafunga kuti
ndiElena.Ndakamuti usadaro kani
akauya pandiri ndaisaona chiso chake
ndipo pandakaona ndabatwa huro
ndichibva ndavharwa
muromo.Ndakatanga kuchema Elena
ndaimunzwa achidaidzira.Ndakashaya
kuti munhu uyu apinda sei isu takiya
madoor.Tete Kundai ndaivanzwa
vachipopotawo vachiti vana imimi
madzimirei magetsi akusi kumusha
kuno.Kurwisa zvaisaita munhu anga
akabata pfuti mumaoko asi chiso
chake ndaisachiona.

_Ndiani apindira Hilda uyo_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 34*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 34*

*#LEEROY#*

Ndakasara nefoni yaHilda ndikatanga


kuona mapics ake mamwe acho aina
mhamha nadad vake.Password yake
akaisa zita rangu ndakanyatsoona kuti
ndodiwa kuti pawallpaper panini
andichatauri zviri pachena.Ndakadilita
nekubloka number
dzaClever.Ndakatanga kuverenga
machats avaitaura naCindy
ndakapererwa nezvandaiona Cindy
achiti asuwa Petso ndakashaya kuti
amusuwa pakudii asi vanodanana
ndakasiyana nazvo kana vachidanana
ndichazvibata.Ndakatanga kutaura
naHilda manheru paApp ndakazoona
munhu asingachapindure kufona
haachadaire ndidzo nguva dzakasvika
Waya achinoka ndakabuda ndikaona
ari kufemera padenga kuratidza kuti
aimhanya.
"Haudaire foni nei Lee asi wakavharira
here ndabvira kare kuridza huta kuti
ubude gate rako wakakiya ndazoita
zvekujamba" said Waya.

"Wandivhundutsa iwe uchatibira


ukumhanyei"

"Pfeka iwe zvinhu azvina kumira


mushe ndaitevera Clever ndamuona
achienda kunodzima mabreaker
epamba paMtetwa I heard kuti pane
vasikana vatatu vanogara ipapo
ndofunga pane waari kuda kurepa"
akadaro Waya hana yangu
yakarova.Ndakamhanya kupfeka
bhutsu chete tikabva tabuda.Wechitatu
musikana aitaurwa
ndiKundai.Ndakaziva kuti Clever ari
kuda kurepa Hilda chete akuna
umwe.Waya akati timirire boys rake
nekuti tikaenda tega hatiponi ane
pfuti.Ndakaona zviri nani kufa
ndichirwira musikana
wangu.Ndakamhanya ndikaona pamba
pana Hilda pakadzima malight Elena
ari panze achichema pamwe chete
nekamwana kaanga akabata.

"Mkoma Lee sis vangu handichavaoni


vabiwa" akadaro achichema.
"Ko Kundai aripi"

"Varimo mumba umo mavari


kungopopota vari kuti ndini ndadzima
malight "

Waya akabva asvikawo ndakamuti


enda kunze kuwindow unomirira ipapo
ndakaenda mumba macho manga
mune rima ndakabatidza light refoni
ndikaratidzwa room raHilda ndikanzwa
mune vanhu vairwisina ndakatanga
kubuda misodzi ndakaona kunga bbe
rangu riri kutoiswa.Ndakavhura door
ndikaona munhu anga akapfeka pachi
ninja akavhara kumeso nemask
yeblack.Vanga vakabatirana pfuti
vachiedza kubvutirana.

Ndakarova ninja uya bhutsu kadonha


pfuti ikanodonhera pamusoro
pewardrope yaivemo.Ninja uya
kajamba nepawindow kubuda ndiko
kwaiva naWaya ndakaziva kuti akuna
kwaanoenda anobatwa ikoko Waya
pamaoko anomira aiti akabikwa
kuChina kwaakatraina pasi
pemvura.Ndakambundira Hilda anga
akuchema tikatombotsvana
zvedu.Takabuda mumba tikaona
Kundai achituka Elena.

"Haunzwe ndiudze wadzimirei malight


manje baba vako havapo ndoda
kukurova" akadaro Kundai
achisimudza ruoko kuda kurova
Elena.Akabatwa naHilda vakapushwa
vakadonha nemusana.

"Hilda ungandidaro unomboziva ndiri


tete vako ndine right yekukurovai
pamunotadza" said Kundai.

"Handina tete benzi siyai mupfana


wangu haasiye adzima malight pane
munhu aida kundirepa ndiye aita
izvozvo" akadaro Hilda ,tete vake
zvakavashamisa even Elena wacho.

Hilda akanobatidza breaker magetsi


akabaka ndikato regai ndiende
kunoona kuti Waya abata munhu uya
here.Ndakasvika ndikaona mutambo
wakatsvuka ropa panga pasangana
mikono.Asi Ninja anga akabata banga
ndakaedza kuda kundobatsira Hilda
akandibata zvine simba kuti
ndisaenda.Waya aingonzvenga banga
pamwe pacho aitombochekwa.Ninja
vakazopihwa spear vakabaya Waya
nebanga pagumbo ropa rikatanga
kubuda.Hilda aindityira ndosaka anga
akandibata anga asingadi ndiende
ndakazoita zvekumupusha kuti
andisiye Waya angatofa ndakatarisa.
Ndakasvika ndichipa bhutsu ruoko
rune banga rikawira kure.

Takatanga kurwisina maoko ndaimira


hangu kwete zvana Waya zvekunyepa
kuti vakatraina pasi
pemvura.Takaumburudzana kwenguva
yakareba ndakagumisira ndakukurirwa
munhu aiva nesimba uyu.Ndakapihwa
chibhake mudumbu ndikadonha pasi
ndikatanga kuyuwira
nemarwadzo,Hilda achiona izvi akaita
kunga agarwa nechimwe chinhu
akasvika kupa murume uya mambama
ari strong.Murume uya akaramba
akamira kuratidza kuti apana
chainzwa.Hilda akamuhedha akamupa
bhutsu pakati pemakumbo ninja uya
akadonha pasi.Hilda akabvisa mask
tikaona ari Clever azvina kundishamisa
hangu ndaiziva ndiye anoita mabasa
aya.

Ameno Clever akasimuka sei akasiya


ahedha Hilda achibva adonha ndiye
ziii.Clever akatanga kutiza vana Kundai
naElena vanga vakati ziii vachiona zviri
kuitika.Ndakaudza Elena naKundai kuti
vadire Hilda mvura.Ndakamhanyira
Clever zvekumhanya kubasa
ndakadzora gap ndikamubata asati
asvika kure.Takatanga kurwa futi
ndakamupa head yakafanana neyaapa
Hilda akatanga kunzwa
dzungu.Ndakatanga kumurova akadaro
kusvika aibva ndikaona Hilda atevera
hembe dzakatota aimhanya akasvika
nekundimbundira Clever anga ati
rabada pasi.Hilda akatanga kundikisa
umm takatombokisana ndakaona
aisada neni aitya kuti ndogona
kuurawa.Takamubata tikamusunga
tikamutakura kumuisa mumota
yaWaya.Ndipo pakasvika boys
raWaya.Rakati mota yavo yambofira
muroad.

Ndakaona kuti Waya aifana kue da


kuhospital.Ndakaudza boys raWaya
kuti endai munochengeta Clever ,boss
venyu ndiri kuenda navo
kuchipatara.Ndakaenda kumba kuti
ndinotora mota Hilda
akateverawo.Ndakamuti sara
ndikudzoka akaramba hanzi andidi
unoda kunditiza.Takaeda tese
tikapinda mumota hembe yake yanga
yakatota yakanamira pamazamu riso
rangu raisabva ipapo iye akazviona
akatanga kunyara achigadzirisa
gadzira hembe yake.Ndakamutss mota
ndikatora Waya tikaenda naye
kuchipatara.Ndakadzoka ndichisiya
Hilda akatanga kundichemera hanzi
Lee usaenda ndoda urare pamba pedu
ndikutya ini.Andina kuita nharo sezvo
ndaiziva vana muchembere vake vanga
vasipo.

Ndakapinda mumba Hilda akaenda


kunochinja akasiya ararisa Elena
naCJ.Ndakasara naKundai anga
akangonditarisa kunga ari kutanga
kundiona.

"Lee asi unodanana naHilda here" said


Kundie

"Ehe todanana mafunga kudiii"


ndiHilda akadairira achiuya patiri.
"Lee wait ndinogeza ndikushwinywa"
akadaro akaenda hake kunogeza.

"Ndanga ndisingazvizive kuti


modanana ini Hilda haataure" akadaro
Kundie achiuya kugara paside pangu
chiona kanight dress kaanga akapfeka
imwe miedzo so.Ndakaramba
ndakanyarara hangu ndaifunga kuti
sei miedzo iri kuwanda kwandiri
mazuvano.Pasina nguva Hilda akauya
handifunge akambogeza zvine
musoro.Pakasvika Hilda tete vacho
vakaridza tsamwa vakaenda kuroom
kwavo.
Hilda akarara pamakumbo pangu
taitaura nyaya zvedu tichiona a
romantic movie.Paikisana vanhu
taitawo pakazosvika pane imwe
chapter yaiitwa sex Hilda akavhara
maziso kunyara.Takazobatwa nehope
pasofa ipapo tikafuma takafukidzwa
gumbezi ndakatoziva ndiElena
atifukidza chete.Ndakaenda kumba
kwangu ndikageza ndikaenda
kuchipatara kunoona Waya.

"Ndava nani hangu vhiki rino


ndobuda"

"Saka Clever haazotizi uri muchipatara


here"
"Boys rangu ndovimba naro
vakamuchengeta zvekuti haawane
mukana wekutiza asi Hilda akatrenawo
karate here kamurovera kakaita Clever
umm handina kukanzwisisa"

"Ndini ndakamutraina uya ndini master


vake" ndakadaro

Handina kugarisa ndakabva ndaenda


kumba kwangu ndikasvika Hilda
akagara mumba mangu
pasofa.Kutokanganwa kuti ndakamupa
maspare key epamba
pangu.Ndakamupa foni yake vabereki
vake vanga vanzwa nekufona.

"Daddy muri kubvepi ndasvika


kudhara pano"

"Ndanga ndaenda kunoona Waya"

"Saka wandisiyirei ndini ndisingadi


kumuonawo here"

"Sorry next time toenda tese"


"Thanks daddy Lee"

Mwana aindiitira hake andidi kunyepa


asi panyaya yekuroora ndipo painetsa
chete.Mari yekuroora ndinayo even
mombe dzacho andizive vari
kurambirei nemwana wavo.

*HILDA*
Mazuva akafamba naLee tanga
tisisayine pana Lee ndipo pandinenge
ndiri vanhu vakawanda vanga vakuziva
kuti todanana.Jane anga akuds
kuhuumba hushamwari neni asi
ndaisava pakutsvaga shamwari hangu
anga akuwirirana naElena
zvakanyanya.Shamwari yangu tete
vangu Cindy nemkomana
chete.Zvemashamwari zvonetsa
ndotya kuzotorerwa mkomana hangu
ndosaka ndisingadi kuita
shamwari.Kutorerwa mkomana
neshamwari yako kunorwadza than
kutorerwa nemunhu
wausingazive.Vabereki vangu
vakadzoka vakarwadziwa neincident
yakaitika.

Waya akasvika pakuita nani akabuda


muchipatara.Anga ane evidence
neimwe yatanga tisingazive zvainzi
ndiye akauraya Sabhuku
naChimuti.Izvi zvakaonekwa mazuva
apera vanhu vaifunga kuti vari kujeri
ivo vakaurawa vakakandwa
mudam.Mitumbi yavo yakaonekwa
mumvura nevanhu vairedza hove
zvainzi vakaita zvekufurwa
nepfuti.Kune vanhu vakaona Clever
achiuraya vanhu ava nyaya yacho
yakanaka.Clever akabvunzwa zvese
akaramba Waya akasiyana naye akati
mirai achataure hake mirai timupe
nguva afunge kana atadza tichadhila
naye.

Jane achinzwa kuti Clever abatwa


akauya nemugoti akatanga kurova
navo Clever takazomubata taona
angatouraiwa asati ataura zvatiri
kuda.Boss vaClever vaida
kumununidzira ndakaona kunga vaiita
mabasa erima vese.Vaifunga kuti Waya
haana evidence yese iye saka
vakaronga kutsvaga lawyer rinomirira
Clever.Waya haana kuvapikisa akati
itotsvagai ari 10 malawyers acho
vakaedza kuda kutyisidzira Waya asi
iye aisakwata.
Nyaya yaClever yakafamba apana
akanga asingachaizive Vanhu vazhinji
vaiti ngaurawe munhu uyu akanganisa
hupenyu hwevanhu
vakawanda.Zvakataurwa pamaradio
nekubuda pamanewspaper
zvekubatwa kwaClever.Vanhu
vakatanga kurumbidza Waya kuti
akagona basa.Waya aida kuti Clever
ataure kuti mission yake yaive yei asi
airamba munhu wacho.Akatanga
kurohwa zvakasimba
achingoramba.Aaya akatora sando
akatswanya chigunwe chidiki
chekutsoka.Akatswanya futi chimwe
Clever akati regai nditaure chokwadi.
"Chekutanga ndiwe wakauraya
Sabhuku naChimuti here"said waya.

"Ndini ndakavauraya ndikavakanda


mudam nekuti vakaurayawo mkadzi
wangu Chiedza"

"Hooo ko chii chaita urepe"

"Iyo imhiko yandakapihwa nasekuru


Willo vekuZaka vakati ukarara
nemhandara for 8months waizofa
nemari yakawandisa zvekuti
waizoverengwa muworld pavanhu
vane mari"

"You are heartless Clever waida


kundirepa inini unofana kufira mujeri
nxaaa zimuroyi manje wairwadziwa
naLee toda kuchata touya kukuratidza
mavideo epamuchato wedu"
ndakadaro ndakabva ndaenda
kunogara kumota
kwaLee.Ndairwadziwa nekuuraya
kwaakaita Sabhuku naChimuti hongu
vakauraya mkadzi wangu but aisafana
kuvaurayawo.Nyaya yake yakanzi
yamirira kuenda kucourt.

Jane ainyanya kurwadziwa zvandaiona


nemeso angu Lee aidza
kumusimbisa.Ndakaenda ndikati Lee
ibva ndimusimbise ndega Jane
wacho.Lee akangonditarisa akaenda
kunotaura naWaya.

Takaends kutown naLee apana aitaura


neumwe ini ndaifunga kamuitiro kaita
Jane pana Lee.Hongu airwadziwa but
ngaasatambirawi padhuze nemkomana
wangu Lee wacho haanzwevo.

"Lee ndakati andidi kuona uchitaura


naJane asi haunzwi"
"Asi Hilda dai wainzwisisawo
marwadziro azvinoita kurepwa munhu
anenge achidawo comfort"

"Haana vamwe vanomupa comfort


here nhai Lee usanditsamwisa hako"

"Okay sorry Hilda my love"

"Andidi sorry yako ini"

"Saka unodei"
"Apana"

Akandikisa Lee akati ndakupa zvauri


kuda ndoshaya akaziva sei ndizvo
zvandaida.Takapinda mutown hatina
kugarisamo ,akanondisiya pagate
pedu.Pamba panga pana mhamha
naElena chete.

"Uri kubvepi Hilda

"Ndanga ndina Lee mhamha"


"Hooo saka ndakakuchatisai zvekuti
makuita zvamunoda hauchagari pasi
kana basa hauchaite Elena ndiye ava
musikana webasa ka" vakadaro mai
vangu.

"Aiwa mhamha sorry handichazviite


futi"

"Baba vako ndakavaudza zvekuti


waane mkomana vakandituka asi
ndakataura navo vakadzikama asi
vakati avadi kuzvinzwa kuti une
mkomana please andichadi kukuona
una Lee wako iyeye remember
akaenda kuchikoro akapedza atori
nedegree rake iwe hauna chinhu
pafunge" vakadaro mai vangu.

" kana muchiti amudi kuvaona naLee


muri kurevei ivo dad ndivo vari kuda
kuroora sis Hilda here zvamunoi......"
hakana kupedza kapihwa mbama
namhamha.

"Elena ndinokurova usapinda


pausingakwani handisi kutaura newe"
vakadaro mai vangu.

Elena akabata dama raka akatarisa


mhamha anga atsamwa.Mhamha zvavo
zvekuti ndisiyane naLee
ndezvekupenga ivo vakaroorwa madad
wani vachiri mudiki.Ndozoitawo degree
racho ndaroorwa
zvakangofanana.Ndanga ndatsamwavo
ndakaenda kunozvivharira muroom
mangu ndikazvivharira kana chikafu
chemanheru ndakachiramba.

_thanks nemacomments enyu_


*WATCH OUT FOR CHAPTER 35*
[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 35*

*#HILDA#*

Zvakataura mhamha zvakandibhowa


vaiedza kuti chii kana vachiti ndisiyane
naLee.Inga vakambobvuma zvakanaka
ndoshaya kuti chii chaipa.Chikafu
chemanheru ndakachiramba vakati
unofa nenzara ndiwe isu
hatikunyengereri ndimama ivavo.Dad
vangu vakauya kuroom kwangu
vachida kuziva chaita ndisadye.

"My daughter ndiri kuona auna mufaro


chiii chikunetsa"

"Apana dad"

"Saka watadza kudya nei"

"Ndakaguta dad"
"Okay ndakanzwa namai vako kuti
ukudanana naLee ichokwadi here"
vakabvunza dad ndakarohwa nehana
apa vaitora vakapora havo.

"Ummm ehe dad,I love him he is my


everything" ndakadaro ndichisekerera.

"Hilda kukuudza chokwadi handina


mufaro ndaida uende kuchikoro
ugoitawo degree rako kwete kumirira
kudepender pamurume,Lee wako
remember akatobva kuVar atova
nedegree rake usabvuma kusiiswa
chikoro panzira"
"Haasi kuda ndisiye chikoro aida
kundiroora ndozopedzisa ndakugara
naye"

"That's bullshit pano hatiite zvakadaro


wanzwa here andidi mahure pamba
pangu" vakadaro dad vangu
vachipopota vanga vatogumbuka.

"Dad saka mukuedza kuti ndiri hure


inini here hazvisi fair kana ndaku......."
ndakabva ndarohwa mbama
nadad.Vakuda kundipamha imwe
vakabatwa namhamha.Vakabva
vabuda vese kuenda kubedroom
kwavo kwandakanzwa
vachipopotedzana.

"Lucy kutaura chokwadi andina


mufaro Hilda pfungwa yekuenda
kuchikoro haasisina akutofunga
zvekuroorwa kuti haasati akuziva
varume iyeyu" said dad.

"Haasati akuziva varume ndoda


unzwisise murume wangu Hilda
ndomuziva uyu mukura kwake haasati
amboita mkomana uyu Lee ndiye
wekutanga"

"Saka uri kusapota kuti aroorwe here"


"Aiwa mwana anotaurwa naye
zvakanaka anonzwisisa kwete
zvehasha zvamanga makuita"

"Handina nguva yacho kana afunga


zvekuroorwa ngaabve pamba pangu
aende kumukomana wacho
andimuteveri ndosara nana Elena
vanoteerera ndakagara ndazviona kuti
Hilda naKundai apana musiyano
mahure manje pano vanobva vakaita
zvekutamba" vaipopota baba
vangu.Mai vangu vakaita hasha dzavo
dzidzikire ndakaona vava ziii.Ndakabva
ndarara ndikatanga kurota ndichichata
naLee.

Ndakamuka ndikaitawo basa


ndikapedza.Cindy akauya tikatandara
zvedu akati ndimuperekedze kunoona
machanic mota yangu yanga yaita
problem.Takaenda kugarage
kunogadzirwa mota tikasvika pasina
mota dzakawanda dzaigadzirwa musi
uyu.Ndakashamisika kuona Petso
achibatsirana namachanic kugadzira
imwe combi.Anga atochinja
kutotsvukirawo nekakusimba
takamukwazisa akafarawo kutiona
kana ari saCindy andichataure.
"Petso wakandipa number dzekunyepa
iwewe dzairamba" said Cindy.

"Oooh sorry ndabirwa foni ndakabva


kutenga imwe nenew line"

"Hooo saka number dzangu


wausingadzizive nemusoro nhai"

"Aaah ehe ndaisadziziva"

"Tasha aikubvunza hanzi


ndiregererewo zvese
zvandakakutadzira "ndakadaro Cindy
akabva andicheka nerimwe zisi raiva
nemubvunzo .

"Ndakamuregerera hangu ndakanzwa


kuti ane mwana musikana"

"Akafanana nani mwana wacho"

"Andizive ndakaita zvekungonzwawo"

"Ko tomboti akati ngatidzokerane


unoita sei" ndakabvunzira svoto
ndaida kusvotesa Cindy.Ndamutipa
Petso kuti abvume zvandataura.
"Ndodzokerana naye ndichiri kumuda"
akadaro Petso ndakaona Cindy
akarwadziwa.

"What are you serious Petso saka


waindipfimba uchiziva kuti uchiri kuda
Tasha hee" anga atsamwa akuda
kuchema zvakabuda pachena kuti aida
Petso.

"Jokes hako Cindy andimude iwewe


wakuchemei inga wakati haundide
wani"
"Ndakamboti andikude here Petso"
akadaro Cindy akatarisa pasi
achinyara.

"Saka wakati chii"

"Aaah ndonyara kukuudza ndozoudza


Hilda ndiye achakuudza"

Mota yakabva yapera


kugadzirwa.Cindy akati ndizoudza
Petso kuti madhiri bhoo apa dzainyara
sei.Ndakasiya ndaudza Petso akasara
achifara zvisingaite.
Akandisiya pamba paLee akaenda
kumba kwavo.Ndakasvija Lee akarara
pasofa aiti haasi kunzwa
mushe.Ndakamubikira chikafu akadya
hake.Asi kuchipatara akaramba hake
kuenda ndakasiyana nenhau yacho.

*Leeroy*

Ndakamuka nyama dzangu


dzichirwadza ndaingonzwa kuneta
nedzungu.Hilda akasvika nekundibikira
akandipakisa ndikadya.Mwana anga
ane rudo kwete
rwekunyepera.Ndakamupa hembe
dzangu dzakasviba akadzigeza dzose
ndakamuyeva zvangu ndakazvipa
sando kuti apa pane
zvemusikana.Akapedza tikatanga
kutaura nyaya zvedu nebbe rangu.

"Lee inzwa pane ari kunoka kugate"

"Enda unotarisa kuti ndiani'

"Handei tese daddy"


Takabuda tikasvika ndikaona ari Jane
nemasahwira ake.Hilda akafutisa
matama akatarisa Jane.Masahwira ake
vakabva vaenda vaona ziso ravanga
vakatariswa naro naHilda raiva rine
mutauro,Jane akasara asi anga ari ziii.

"Uri kudei Jane,how many times


ndichikuudza kuti handidi kukuona
pedyo naLee" said Hilda.

"Sorry hako I know unofunga kuti


ndoda Lee aiwa handimude asi munhu
wandongofarira akandibatsira panguva
yakaoma" said Jane.
"Kufarira mkomana wangu kana
akakubatsira hauchadi kusiyana naye
here ziva kuti mufesi wangu uyu ooh
naMwari ndorova munhu apa" akadaro
Hilda ini ndanga ndiri zii.

"Okay thanks hako Lee nekundibatsira


kwawakaita ramba une moyo wakadaro
vashoma vanawo ndakuenda handizive
musikana wako akandivengerei'

"Iwe gate out' akadaro Hilda


achipushira Jane kunze kwegate
ndakarwadziwa ndakaona Jane
achibudisa misodzi akanditarisa.
Ndakaenda kunogara mumba ndanga
ndisisina mufaro nezvaita Hilda.Zvaita
hutsinye munhu uyu anongondifarira
chete ndoshaya Hilda haazvinzwisise
sei.

"Saka watsamwa kuti ndadzingirei


Jane"

"Hautonyari nezvawaita Hilda andisi


kufara"

"Kunyarei kuti pane zvonyadzis a here


handidi kumuona pano asi unomuda
kani"
"Aiwa bbe ndikungotaurawo"

"Sorry daddy ukaona ndichiita jealous


zvoreva kuti ndokuda andidi
kukushare neumwe ,Jane anokuda asi
hauzvioni ari kuedza kukuredza Lee"

Takazoswera takufara ndanga


ndakunzwa zviri nani.Akaenda kumba
kwavo zuva rakuvira.Ndakafunga
kunoona mai vangu ndakasvika varipo
nadad.Cindy anga ari pafoni pake
achisekerera ndakatoziva kuti mufesi
ari kutaurwa naye.Ndichamutsvaga
hangu ndione kuti ndiani iyeye ari
kudya hanzvadzi yangu topedzerana
chete.

"Ari sei muroora wangu Hilda" said


moms.

"Muroora wenyu achamboda kusiyana


neni here mazuvano"

"Saka Lee uri kuedza kunditaurira kuti


wakazoshaya musikana wekuroora
here" said dad.
"Aripo dad ndiani asingazive kuti Hilda
ndiye wandikuda kuroora"

"Asi Hilda akakudyisa kani zvekutadza


kusaona vasikana vekuroora, Hilda
haite" vakadaro baba vangu
ndakaramba ndiri zii ndoshaya
chavaivengera musikana
wangu.Maitiro avo kunga
vakambomupfimba vakarambwa
ameno.

"Lee my son ndotoda uroore Hilda


ndingafara ini asi ziva kuti pane
chakanaka hapashaikwe chakashata"
said mai vangu.
"Usafurira mwana muri kuziva Casper
andituka achiti ndiudze Lee asiyane
nemwana wake zvimwe zvinhu zvoda
kutereerawo kana tichitaura unoda
kuroora sei vabereki vake vachiramba
ini Hilda ndagara handimude pano
ihure samai vake" vakadaro dad
vangu.

"Dad musanyepa mai Hilda vakahura


nani heee tinyareiwo" said Cindy.

"Hilda ndaida kumuroora zvakanaka


manje vabereki vake vakundituma
zvandanga ndisingade kuita manje
chero vakadiii apana anokwanisa
kundiparadzanisa naHilda pano
panyika"

Ndakabva ndatobuda ndanga


ndagumbuka pachokwadi.Hilda wacho
ndaimuregerere manje ndakuda
kutorara naye aite nhumbu yangu tione
vanoramba naye here.Ivo baba Hilda
chii chavakashoora pandiri inga
ndakarongeka kutopfuura vamwe
varume saka vanoda mwana wavo
aroorwe nemunhu akaita sei.

Ndakananga kubhawa ndaida


kumbonwa ndichibvisa
stress.Ndakatenga doro rangu
ndikatanga kunwa ndiri imomo.

Ndakanwa kusvika doro rakutonga


mandiri. Ndakatanga kudzedzereka
ndichienda kumba mota yangu
ndakaisiya pabhawa.Ndakazonha
pakati peroad ndakusvika pamba
pangu.Handina kuona munhu
akandibatsira kuti ndiani asi
chandinoziva ndechekuti mukadzi.

Akanditakura akandipinza mumba


zvaitaura ndaimbozvinzwa here
ndainga ndakutofunga kumurova
poto.Ndaiona kunga Hilda ndakatanga
kumubata kusvika ndarara
naye.Pandairara naye foni yangu
yairinger asi ndaisiya yakadaro.Mkadzi
uyu akamboedza kurwira kuti
ndisavate naye asi zvakashaya
basa.Akazogumusira adzikama
ndakamurova zvinhu kusvika ndaneta
apa ndanga ndisina protection
ndakafara ndoda kuona marambiro
avanoita na Hilda wacho kana ane
nhumbu yangu.Doro rakupera
ndakanwa futi rimwe ndikanomurova
mamwe maround ndokubva
ndazorara.Pandaka zpepuka kwaedza
ndakashamisika kuona ari......
_ko ndiani akarara naLee_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 36*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 36*

Ndakashamisika kuona Jane akagara


pasi achichema.Ndakatadza kuziva kuti
ndiye musikana wandakarara naye
husiku hwese ndichifunga kuti
ndiHilda.Paakandiona ndamuka
akatanga kupopota achindituka kana
neniwo ndakazvishoora nekunwa doro
kwandanga ndaita.

"Lee wakandirepa husiku hwese,


ndakuvenga ndaisaziva kuti uri satan"
akadaro achichema achipfeka bhutsu
dzake kuratidza kuti akuda
kuenda.Ndakatadza kunzwisisa kuti
ndakamurepa inini.

"Inini kukurepa aiwa ndaramba ipapo"

"Saka uri kuti ndini ndazviwisira


kwauri kuti urare neni here mira
uchataura nyaya yako kumapurisa
ndiko kwandakuenda evidence
ndinayo hona wakadambura pant
rangu" akadaro Jane anga akatsamwa
maziso akaita red nekuchema.

"Aah aiwa mira titaure tinzwanane


ndokumbirawo unyatsotsanangura
zvakaitika ini andichazive" ndakadaro

"Nezuro ndaibva kuperekedza


shamwari yangu kumba kwavo
manheru ndipo pandakakuona
wakarara pakati peroad
ndakatombokusiya uripo nekuti Hilda
akati ndisatambira pedyo asi moyo
wangu wakarwadza ndakadzoka
kukubatsira kukupinza mumba ndipo
pawakandirepa ndakaedza kurwisa
ndikatadza noise ndakaita asi
haibatsire muzimba rakakura kudai uri
muroyi wanzwa uri kufira mujeri chete
ndakunotaura" paakadaro ndakabuda
misodzi ndakaona Jeri radongorera asi
ndaifana kutaura naye Jane wacho.

"Sorry Jane kunwa kwandakaita yaiva


stress vabereki vaHilda vakuramba
ndiroore mwana wavo ndizvo
zvaindibata sorry andina kurara newe
ndichida pandakakuona ndakaona
kunga Hilda that's why ndakarara newe
sorry usaenda kumapurisa"ndakadaro
ndakapfugama pamberi paJane
ndichinzwisa tsitsi.

"Ndoshaya wangu munyama rudziii


unoita ndirepwe nevakomana" akadaro
akuchema.

"Sorry Jane"

"Andidi sorry yako ko musikana wako


akazviziva achafunga kuti ndini ndine
mhosva"

"Uyo usatya haambozvizive"


"Ko ndikaita nhumbu ndodiii nhaiwe"

"Hauite nhumbu usatya, kana ukaita


totangira ipapo" ndakazvisimbisa
ndichidaro asi hana yairova ndanga
ndatorohwa neconfusion mumusoro
mangu.

Jane ndakamusofta kuti asaenda


kumapurisa akazobvuma
hake.Ndakamupa mari haana
kuiramba, ndakamuti anogeza
akaenda.Takafonera shamwari yake
ikauya ndikamuti unati Jane akarara
kumba kwenyu zvanga zvisingaite
adzoke kwanga kwasviba akabvuma
mushure mekunga ndamupa mari.

Vakaenda ndikasara ndega pfungwa


dzichifunga kuti ko ndakazviitirei
nhai.Jane anga asina problem apa
ndini benzi.Ndanga ndakunamata kuti
dai akasaita nhumbu akangoita ndoti
aibvise.Asi handifunge kuti anoida
akadiii kuita nhumbu paakarepwa
naClever.

Ndakaona kuti satan anga ari


pabasa.Miedzo yandikusangana nayo
haiite dai Jane akasaita dzungu
rekuudza Hilda.Ndakafunga kunoona
Waya kubasa kwake.Ndakamuudza
mamiriro anga akaita nyaya yangu
akandituka zvisingaite.

"Haubatsire chiro Lee unonwirei doro


kana risingakubvume"said Waya.

"Ndaida kubvisa stress bro"

"Akati doro ndiro rinobvisa stress


ndiani, paropera doro stress inodzoka
futi best way kuudza Mwari
maproblems ako shamwari"
"Ndazvinzwa mkoma Waya"

"Ndaona aita nhumbu, asi


nyatsondiudza chiii chawashoora pana
Hilda inga isimbi iya paya uchaona
hako uchatorerwa nevanogona kubata
mabbe zvakanaka kwete zvako izvi"
akadaro Waya.

Waya panzvimbo yekuti


andisimbisewo aindishoora achitaura
zvinhu zvekuti ndainzwa kunyara
ndega.

Ndakaenda kumota kwangu ndikaenda


kumba ndaida kuona mai vangu ndiye
munhu wandaida kuudzawo nyaya
iyi.Ndakasvika vatori vega
ndakavaudza vakandipa mambama
ndakatukwa veduwe.

"Ko akait nhumbu wotoroora asi


kutaura chokwadi andina kufara nazvo
ndaida Hilda pano"

"haite nhumbu mama paakamborepwa


naClever akadiii kuita nhumbu"

"Usaita kunga usina kuenda kuchikoro


iwe wakundibhowa ndoshaya unodirei
doro iri inga ndakati edza kumirira
Hilda wani vabereki vake
vachanzwisisa manje ooh ndageza
maoko mukaroorana naJane andidi
hangu kumuona pano ndapedza"
vakadaro mai vangu vakabva vaenda
kukitchen ndakaona vanga
vatogumbuka.

Ndakabuda ndikaenda kumba kwangu


ndisina mufaro.Ndakasvika kurara
zvangu paloan ndipo pakabva pasvika
Hilda akachena ndakaramba
ndakamutarisa ndikabuda
misodzi.Mwana aindida hake uyu
ndoshaya mweya wei wakaita ndirare
neumwe musikana.
"Ko ukuchemei Lee asi kune kwafiwa"
said Hilda.

"Misodzi yemufaro bbe kuti ndakuona


ndanga ndakusuwa"

"Usanyepa Lee I know you ,hausi


kufara pane zvikukunetsa tell me"

"Baba vako vakaudza dad vangu kuti


vandiudze ndisiyane newe
zvikundirwadza ndanga
ndatounganidza mari yekukuroora"
"Aaah daddy ndizvo
zvamungatsamwira here don't worry
vachanzwisisa havo vaona kuti
todanana zvereal" akadaro Hilda.

Takabva tapinda mumba tikagara


pasofa.Akabatidza TV akatanga kuona
hake achindiudza nyaya.Akasimuka
akaenda kubedroom kwangu achida
kutsvaira akaona bra pasi pebed
ndakatoziva kuti ndera Jane.Ko aenda
asina kupfeka bra chirudzii asi ihure
kani andichazvinzwisisiwo ini.Hilda
akatanga kubvunza kuti
nderani.Akafembedza akanzwa riri
kunhuwira perfume
yaJane.Ndabvurirwa foni yangu
akaenda kumatext achida kuona
ndaitaura naye here.Akabva afonera
Jane achimuti auye pasina nguva anga
asvika.

*HILDA*

"Jane harisi bra rako here"


pandakadaro ndakaona akaita
kakuvhunduka akatarisana naLee
zvandisina kunzwisisa.
"Aaah aiwa arisi rangu iro iiih ungabva
wandifungira zvisizvo here Hilda" said
Jane.Ndakamufembedza ndikanzwa
ndiyo smell iri pabra futi.

Jane akabva arova pasi ,asi matarisiro


avakaitana naLee handina
kumanzwisisa hangu.Vanhu ava
vanenge varara vese vakuda
kundiitisa.Ndakafizuka kusvika
kwekupedzisira ndakaenda kumba
kwedu.Pamba pake andichasvike kana
iye achida ndiye achanditsvaga
ndakaona kunga vairara vese naJane
ndisingazive ameno.Kutaura chokwadi
Lee ndaimuda nemoyo wese
ndakatoperera paari pamwe ndosaka
aida zvekundiitisa.Ndakabva ndafunga
mashoko adad vachiti handide
uzodepender pamurume anogona
kumuka akachinja moyo apa iwe auna
pekutangira.

"Sorry dad ndakuda zvekudzoka


kuchikoro ndakazofunga zvakanaka"

"Hauchaoni ndiko kuti mwana


anoteerera kwete zvekuswera
kufurirwa nana Lee" vakadaro
dad.Elena namhamha vakanditarisa
zvekushamisika nekuti vaiziva ndichiti
ndozoenda kuchikoro ndakugara
kumurume.Tete Kundai vakapindawo
vakaita kupera nedoro vakatukwa
nadad.Sezvo kwanga kwasviba
ndakabatsira mai vangu kubika
tichitaura nyaya.

"Asi warambana naLee here"

"Aiwa mhamha ndangomuudza kuti


kana uchindida unondimirira kusvika
ndapedza chikoro anzwisisa"
ndakanyepa ndichidaro.
"Hooo wafunga zvakanaka mwanangu
zvinokudzwa"

Takapakura tikadya zvedu semhuri


.Tapedza takaenda kunorara asi nyaya
yebra yaisabva mumusoro mangu.Bra
iroro ringaita raani kana Jane aramba
asi Jane nderake chete inga rine
kasmell kake wani.Elena
ndakamuudzawo nyaya yangu
akatoshamiswa nazvo.Ndiye anga
kunyanya kuwirirana naJane akangoti
andifunge nderake perfume inogona
kufanana.Asi akazoti Lee anenge ari
kuvharira chete.Zvakaita kuti rudo
rwangu kuna Lee rwudzikire ndakaona
aindinyepera asi kutaura chokwadi
ndaimuda asi ndanga ndisisadi
kumuratidza zvekuitiswa andidi.

Mazuva akafamba kumba kwaLee


ndanga ndisingachaendi ndaiswera
pamba.Cindy naPetso vanga
vakupengesana zvisingaite
zvandaiyemura.Takatsvagirwa
nzvimbo pagirls High panova paidzidza
Jane.

Ndaita combination yaitwa naJane


saka taiva musame class.Muclass
macho maive nenoise isingaite
maindibhowa.Jane anga akanyarara
hake most of the time waiona anenge
ari pamabook ake.Ndakaudzwa
neumwe hanzi Jane ndiye aipedzera
team rese pafazh handina kuzviramba
hangu nekuti aiverenga asi pava
pabreak aifarawo nevamwe.Aiva
munhu akanyarara asi ini
ndaisamufarira hangu.Taingotaurawo
iya iya yekungoti tiri manext
door.Pakuenda kumba ndaisafamba
naye ndaifamba naElena, aifamba
nezishamwari rake ranga rakangwarisa
anga akaita hure kahunhu kacho
ameno.

Rimwe zuva Lee akauya kundigarira


pandakabuda chikoro tikapinda
mumota.Takasiya Elena pagate
ndikamuudza kuti unaudza mama kuti
sisi vasara mulesson chete.Lee
akaenda nemota yake
kuground.Ndanga ndakamutsamwira
asi kutaura chokwadi ndanga
ndamusuwa.

"Bbe uchakanditsamwira nenyaya iya


here"

"Ehe ndakatsamwa ini ukupa vamwe


vasikana zvinhu zvangu" ndakadaro
ndakavhara maziso nemaoko.

"Hanty zvinhu zvacho unozvidadira


hauzvidi"

"Aaah daddy ndozvida ini asi ndotya


hangu"

"Kutyei mai Maviza"

"Aaah apana ngaipere" ndakadaro

"Ndanga ndakusuwa bbe"

Takava nenguva yakanaka nemkomana


wangu takatombotsvodana.Ndakaenda
kumba kwasviba mama avana kunetsa
havo.Mazuva akafamba kuchikoro
kwanga kwakundinakidza vanhu
vemuclass medu vaiva vari funny.Jane
anga akurara rara muclass ndakashaya
kuti chii chainetsa.Ndakaona akaramba
achirara kwenguva yakaraba kusvika
ndazomubvunza akati haasi kunzwa
mushe.Ndakamuti hande kuchipatara
akaramba ndakasiyana nazvo.Patori
pabreak Jane akangodona ndiye
ziii.Akaendwa naye kuchipatara ini
ndanga ndiripo ndakatorwa kuti
ndimuperekedze.Teacher
vakandiperekedza vakatisiya
kuchipatara vakadzoka zvavo.Doctor
vakazoti Jane ane nhumbu iye
paakanzwa izvi akatanga
kuchema.Ndikamubvunza kuti
ukuchemei asi haana kutaura.

*WATCH OUT FOR CHAPTER 37*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 37*

*#LEEROY#*

Jane akauya pamba pangu akapfeka


uniform yekuchikoro kwake apa anga
asina mufaro pachiso chake.Akasvika
nekutanga kundirova mambama
achichema ndakashaya kuti yava ipi
futi.

"Wafara ka waida ndiite nhumbu kuti


ndisiire chikoro panzira"akadaro Jane.

"Nhumbu aaah ane nhumbu ndiani"

Akataura kuti abva kuchipatara amana


ndakadikitira panguva iyi handizvo
zvandanga ndakatarisira.Ndakagara
pasi pafloor ndikatanga kukwenya
musoro ndichifunga kuti zvoitwa
sei.Jane aisashooresa hake asi ini
ndaisamuda hangu.Ndakagaya kuti
atobvisa nhumbu iyoyo Hilda asati
azviziva.

"Jane ndoda ubvise nhumbu iyoyo


handisati ndakuda mwana"
"Go to hell Lee haundiudze matsvina
akadaro unonyatsoziva kuti kubvisa
nhumbu kuri risky ini ndogona kufa"
akadaro achiita kushevedzera dzanga
dziri hasha.

"Jane dzora hasha titaurirane


zvakanaka, haumbofi kani ndomira
newe"
"Kumira neni kudiii kwacho pawairara
neni waiti zvichasvikepi ukangoramba
nhumbu ndikukusungisa kut
wakandirepa" akadaro ndakanzwa
kurwadziwa pamoyo
chaipo.Ndakatanga kuzvishoora kuti
ndaibatirei doro , handifunge
ndichabata futi doro muhupenyu
hwangu.

"Jane nzwisisa ndokupa mota dzangu


mbiri nyowani" ndakadaro
ndapfugama pamberi pake iye anga
akatofinyama akatarisa kuside.
"Ndati nhumbu handisi kuzobvisa Lee
wanzwa, ndatova mkadzi wako apana
kwandichaenda ini" paakadaro
ndakarara pasi nemusana ndakatarisa
mudenga.Ndikatanga kufunga Hilda
kuti aizozvitambira sei zvoreva kuti
ndatotizirwa ka.

"Jane you know I love Hilda with all my


heart ndiye wandikuda aite mkadzi
wangu not you, iwewe i told u
ndakarara newe nemistake ndakuti
chibvisa nhumbu wakuramba unoda
ndiite sei nhai"

"Whatever wakutondiona sehure ka


ndini ndisingadi kuroorwavo here"

"Handina kudaro Jane"

Ndakamboramba ndakanyarara
ndichifunga imwe plan sezvo Jane
anga aramba kubvisa
nhumbu.Ndakazoona kuti akarepwa
naClever maweeks apfuura ayo saka
aifana kuti inhumbu yekurepwa naye.
Ndakamuudza munhu akatanga
kuchema.
"Inga Lee ndakanakawo wani chiii
chandisina uri satan,Mwari
vakukomborere zvauchabata"

"Sorry Jane ingonzwisisa ndokupa


mota nyowani pamusoro"

Ndakamusofta anga achiomesa


musoro akazobvuma hake.Ndakazoona
munhu akuita tumwe tuma actions
twusinganzwisisike ndakaona aida
ndidyire ndibve ndarara naye
futi.Manje ndaisada izvozvo ndanga
ndakuda Hilda mulife mangu
chete.Takazobvumira akati haana
waanoudza kuti ndeyangu
achandonyepa kuti ndeya
Clever.Pamwanakana achinge azvarwa
ndakamuti ndomupa mari
yekuchengeta asi Hilda haafani
kuzviziva akabvuma hake asi
aisazvifarira aida zvekuroorwa
neni.Akabva aenda kumba nemota
nyowani yandanga ndamupa.Ndaida
kunozoigadzirisa kuisa muzita rake.

Hilda pamba pangu anga


asingachauye asi taingotaura
pafoni.Mazuva akafamba asi Jane anga
akufarira kusvika pamba pangu
achibva kuchikoro aisvika achibika
chikafu achidya zvaindibhowa.Ndikada
kumuti usadaro anoti mwana wako ari
mudumbu anoda chikafu ndisiye
ukada kuita nharo naye anoti
ndakunoudza Hilda saka
ndaizongosiyana naye.Aita zvimwe
zvekuti ndirare naye asi ndaiva
ndangwara ndanga ndisingachadi
zvese izvo anga akutondibhowa.

Rimwe zuva ndakaenda kuground


kunotraina ndanga ndane
nguva.Ndakaona mota yaCindy
muground ndakaenda kunotarisa
mukati kwakuona Cindy ari busy
kukisana naPetso achibatwa batwa
muviri wake ndakanzwa hasha.
"Iwe wakatanga riini kuita
zvavakomana, ndakakutengera mota
kuti uhure nayo here Cindy uchiri
mwana mudiki chaizvo"

"Lee I think pawakadanana naHilda


andina kana kumbokurambidza even
mom avana kukurambidza saka kuita
kwangu mkomana chii chakurwadza
siyana neni" akadaro Cindy
achionererwa naPetso.

"Petso une shuwa ungadanana


nehanzvadzi yangu washaya vasikana
here please leave my sister alone
andidi kukuonai futi" ndakadaro
ndichienda pedyo naPetso.Akabva
atiza akamhanya andina kufunga
kumutevera ndaida kupedzerana
nehure rekumba kwedu iri.

"Iwewe chimbofunga ukamitiswa


naPetso anokupei dzidza upedze
chikoro mama nadad vafare"

"Nyarara hako iwe haundidze zvekuita


wanzwa nxaaa" akabva amutsa mota
akatevera mkomana wake.

Inga zvakaoma ndaizama kumuonesa


munhu akutotsamwa.Training yacho
handina kuzomboita ndakadzokera
kumba ndafizuka.Ndaizama kufonera
Hilda foni yake yairamba
ndakambofunga kuti Jane anenge
ataura chete.

Mangwana ndakataimira nguva


dzavanobuda ndikaenda
kunomutora.Mwana anga akagarwa
neuniform hake kuita kunga akazvarwa
nayo.Mumota akagara kuback seat
anga angori ziii.Ndaimutarisa pamirror
raivemo ndaiona shasha yanga
yakatsamwa.Akaona ndakutora
direction yekumba kwangu akati
ndidzikise asi andina
kumira.Ndakazomira ndatova pamba
pangu iye akaramba akagara
mumota.Ndakamubata ruoko
ndikaenda naye mumba.

"Saka wauya neni kuti zvidiii nhai"

"Hilda wakatsamwei ndakatadzei"

"Ko Jane ari kufamba nemota yako


kuti zvidii asi musikana wako" akadaro
akanditarisa ndikaziva kuti ndiyo
nyaya yakatsamwirwa.

"Blaz vake ndivo vakaitenga kwandiri


mazuva apera ayo"
"Asi Lee ungabva watengesa mota
yakanaka kudaro pamota dzako dzese
ndiyo yanga yakanyanya kunaka"

"Aaah pane zvayanga yakafa ndosaka


ndakaitengesa bbe"

"Okay daddy ndanzwisisa"

*HILDA*
Lee ndanga ndakamutsamwira
pandakaona mota yake ina
Jane.Ndakatombofunga kuti nhumbu
ina Jane ndeya Lee asi ndakazobvisa
mupfungwa Lee paakandiudza
chokwadi achiti akatengesa
mota.Mkomana wangu ndaimuda
ndaisada zvekumu share neumwe
munhu.

Ndakuda kuenda kumba ndakaclean


mudinning nekugeza maplates
ake.Ndakazopinda mubedroom make
ndichida kusiya ndamutsvaira
ndakaona makati nyangarara kunga
mumba memupengo.Ndakatanga
kurongedza zvinhu zvaivamo
ndikatsvaira nekukorobha
mukachena.Ndapedza ndakagadzirisa
bed yake ndikanzwa ndabatwa
muchiono changu.Ndakatendeuka
tikatarisana naLee tikatanga
kutsvodana zvenzara zviya.

Lee akandirarisa pabed pake akauya


pamusoro pangu tikatanga futi
kutsvodana.Ndakabviswa hembe
dzose ndanga ndakavhara maziso
miromo ndiyo yaingodyana.Kuzasi
kwanga kwakuita kakuvava so
ndainzwa kuda panguva iyi.Lee
akatanga kutamba nemazamu angu
ummm achibata futi kupunami kwangu
kwanga kwatota.Mazamu angu aiita
achimaisa mukanwa make zvainaka
nekakurwadza mukati.

Akanyatsondivhura makumbo maziso


ndakaramba ndakamavhara akatanga
kundikisa futi umm ndaiona Lee anga
andinonokera.

"Are you ready Hilda" said Lee ini


ndanga ndapera nemafeelings
ndakagutsuririra kubvuma.

Akaisa chinhu chake pamusiwo


wepunami yangu.Akatanga kuikwizira
ipapo zvainaka sei ndanga
ndakushinyira ndichifemera
padenga.Akazoti ava kuisa maihwe
yakaramba kupinda ndakavhura
maziso ndikaona hezvo makuriro
akaita chinhu chacho ndoremara
chete.Ndakaedza kumumisa asi haana
kuteerera akaisa simba rake ikapinda
ndakanzwa pain ndaisaziva kuti
kubviswa humhandara kunorwadza
zvakadai.Ndaita kunga ndainzwa
banga mukati.

Ndakaedza kurwisana naye ndikashaya


simba ndikamuruma ruma asi
ndakaona kuti zvaimupa
simba.Akanyatsoranga punami yangu
zveukasha ndakaona aikavhira madays
andaimbojamuka kurara
naye.Ndakaona zvaimunakira asi ini
zvaindirwadza ndairidza mhere kani
ndichiti pamwe pachaita
anondinzwawo.

Lee akanyatsodira hurume hwake


mandiri ndakanzwa kakudziya
mukati.Akabva arara paside pangu
achifemera padenga munhu amhanya
marathon.Ndakachema ndichimurova
rova ndainzwa kurwadziwa.

"Thanks my love wandiita murume


pavarume uri huchi unonaka

"Lee wandikuvadza une hutsinye


Mwari ave newe"

"Hilda sorry usanditsamwira inyaya


yekuti tatadza kuzvidzora chete asi
ndakubvunza ukati waready wani"

"Sorry yako inodzosa humhandara


hwangu here iwe wandibhowa Lee "

"Bbe ndikuzviona zvakurwadza nekuti


tanga takabvumirana kurara tese
taroorana asi zvaitika hazvititadzise
kuroorana ndagara ndokuda nemoyo
wese thanks nekundipa humhandara
hwako" akadaro Lee ndakazvitarisa
ndaida kuona shuwa ndatova gaba.Ko
Lee akatadza kundiroora atadza kurara
neni ndozodiwa nani zvandave churu
ndakatanga kuchema Lee
akandinyaradza ndakamupusha
akadonha.

Ndakaedza kusimuka ndikanzwa pain


ndikadonha pasi.Ndakatarisa pabed
ndikaona masheet anga ane ropa
ndakatadza kubeliva kuti ndini
ndadaiso.Lee akandisimudza akaenda
neni kubathroom miso
yaingoerera.Ndakatanga kufunga mai
vako vachindiraira ndakaona ndanga
ndavanyadzisa nekuvatadzira big
time.Ndaingonamata kuti dai
ndikasaita nhumbu.Humhandara
hwangu hauna kunyanya kurwadza
hwakaenda nemunhu wandinoda dai
akasandirasisawo.

"Lee chibuda ndogeza ndega"


ndakadaro ndakatarisa pasi ndanga
ndakunyara kutarisana naye.

"Aaah ndoda tigeze tese ukunyarei"


"Aaah Lee andidi kuti undikuvadze
futi"

"Handikukuvadze bbe ndipo another


round please ummm"

"Nhai Lee ndinzwirewo tsitsi ndopona


here please Lee" ndakadaro
ndipfugama mubathroom ndanga
ndakutya dick yaLee yanga
yakanyanya kukura.

Takatanga kugeza akaita sekunga


anzwisisa achiziva pane weakness
yangu.Munhu akatanga kundibata
nekundikisa kudzamara andipa
mamwe maround
maviri.Ndakazobudamo
ndafizuka.Akandisimudza akandizora
mafuta nekundipfekedza hembe
dzangu.Akaisa masheets aya ane ropa
mubucket.

Step yangu yanga yachinja


pandaifamba ndainzwa
kurwadziwa.Lee aingondirumbidza
achiti unonaka ndazvivhurira
ndakaona ainyatsofara chaizvo.
Akandisiya pagate pedu ndikapinda
ndaizama kuti ndifambe step yangu
chaiyo chaiyo asi zvairamba.Ndanga
ndakufamba ndakaita kakuvhura
makumbo .Munhu akatanga kundiona
ndiElena akatanga kuseka ndoshaya
kuti aisekei.

"Nhasi mabura imwe step haa iyo


inotora mari paghetto" akadaro Elena
achiseka aisatoziva kuti sis
vashudhwa chibeans.

"Ukwane wanzwa chii chosekesa


ipapa"
"Chero mukandiitira hasha nhasi step
yenyu ikundinakidza" ndakafamba
kuuya paari munhu akaita kudonha
pasi nekuseka.Mhamha vakabuda
panze ndakatarisa kuside ndainyara
kutarisana navo mumaziso.

"Hilda wanga uripi Elena asouya kare


even Jane waunodzidza naye"
vakadaro mai vangu.

"Mhamha ndasara ndichiita lesson


namadam veBio vati vanoda kusara
ngavasare" ndakadaro Elena anga
amira kuseka.

"Ko Elena waisekei uchapenga iwewe"

"Ndiri kuseka mwana wenyu abura


step nyowani iri kundinakidza"
akadaro Elena ndakaona mhamha
vakabva vanditarisa ndakabva
ndatarisa pasi.
Ndakazvishingisa kupinda mumba
ndikaona Elena atanga futi
kuseka.Mhamha vakaramba
vakanditarisa ndichifamba kupinda
mumba.Ndakanozvivharira muroom
mangu mhamha vakanoka vakati vari
kuda kutaura neni.

_ko Hilda achazoziva hre kuti Lee


akamitisa Jane_

_vari kuda kuti chii mai Lee_


*WATCH OUT FOR CHAPTER 38*
[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 38*

*#HILDA#*

Mama ndakavavhurira door vakapinda


kugara pabed pangu, ndakatarisa
kuside ndanga ndisingakwanisi
kutarisana navo mumaziso.

"Hilda tell me sei uri kufamba


wakavhura makumbo asi warara
nemkomana" said mai vangu.

"Aaah mhamha handina kumborara


nemkomana kana muchiti ndonyepa
nditarisei" ameno chii
chakandishingisa kutaura
kudaro.Ndainamata nechemumoyo kuti
vakasanditarisa ndingarohwa ndikafa
kana kudzingwa pamba pacho.

"Hilda saka sei uchifamba kunga


wabviswa humhandara rara apa ndoda
kukutarisa izvozvi" vakadaro mai
vangu vaita kunga vaoneswa kuti
ndarara nemkomana.Hana yakatanga
kurova ndanga ndakushaya zvekuita
ndakagara ndipo pakabva papindawo
Elena ndakafara akandiponesa.

"Pane munhu ari kugate ari kuda


kukuonai mhamha" said Elena.

"Ndiani iyeye"

"Andivazive asi mai ivavo topinda


navo church"said Elena.

Mhamha vakabuda ndikasara


naElena.Ndakambofunga kumuudza
kuti ndarara naLee asi zvakandiremera
zvainyadzisa ndakaramba
ndakanyarara.Ndaishaya kuti
ndomuudza sei kuti andibatsire mama
vasanditarisa.

"Sis muri kufungei ziii yacho


yanyanya"

"Ndadonha pachair kuchikoro


ndikurwadziwa"

"Ngatione kuti amuna kukuvara here"


"Ndakuvarira mukati mhamha
vakutofunga kuti ndarara nemkomana
pavaona step yangu"

"Mhamha vanomboita kunga


vanopenga hamuvazive here" akadaro
achiseka.Mama vakabva vapinda
vakati rara tione.

"Asi mhamha zvamunoita zvakashata


sei musinga trust sis Hilda inga
vadonha pachair kuchikoro wani"
akadaro Elena.

"Elena mese ndine kodzero


yekukutarisai pano andigari nemunhu
akuzuva murume wanzwa, ko adiii
kutaura kuti adonha"

"Vangataura sei imi muchivandutsira


zvakashata mhamha honai sis vangu
vakutochema, sorry sis Hilda" akadaro
Elena.Ini ndanga ndakutochema
ndoshaya chandaichemerawo
ipapa.Mhamha vakazosiya vatiraira
sevana vechisikana
vakabuda.Ndakamuhaga Elena anga
andiponesa asi iye aisatoziva
zvandaifarira hake.Lee akafona
akataura neni ndanga
ndakamutsamwira asi munhu wacho
aiva nerudo rwunotapira zvekuti
kutsamwa kunopera.

Chikafu ndakavigirwa naElena


muroom mangu ndaisada zvekufamba
mama vaizonyanya kutarisisa vakaona
ndapakurisa poto.Manheru tarara Lee
akafona akataura neni ndakaona kuti
kurara neni kwaita kwabva kwaita
andide zvakanyanya ndakafara
nazvo.Elena akazotaurawo naLee
achimuudza nezvestep yangu iya
ndakamubvutira ndikakata,Lee
aizofunga kuti pamwe ndaudza Elena
zvataita.Elena dzanga dzisina
kunyatsokwana munhu achamuroora
anenge ari pabasa nguva yake zhinji
anenge achingotaura kashoma
kumuona akatsamwa.

Mangwana andina kuenda kuchikoro


ndainyepera kurwara.Elena
akaperekedzwa nadad nemota.Zuva iri
mama vakabuda vakaenda kuchurch
ndikasara natete Kundai vakazouya
kuroom kwangu.

"Hilda unowirirana naWaya here"

"Ehe mukudei" ndakadaro


ndichipindurudza maziso
ndakavatarisa.
"Anga ambori mkomana wangu
takarambana mushure mekunga
andiona ndakarara neshamwari yake"

"Saka muri kundiudzirei chihure


chenyu"

"Hilda ndoda undibatsire


ndichikumuda ndiye munhu
wandikuda andiroore ndomuda
nemoyo wangu wese" vakadaro tete
vangu vakanditarisa.

"Munotoda kuroorwavo, maneta nacho


chihure ndimi mukusvibisa zita redu
nechihure chenyu"

"Hilda handisi hure ini, akuna asingadi


kuroorwa, ko Belly ari kugara pamba
paWaya vanodanana here ndomuziva
ndohure riya not inini wanzwa"

"Haaa musandinyaudza get out tete


vasina kukwana"

"Hilda ndokurova andina zera newe


ini"

"Amboti ndine zera nemi ndiyani


ranzwa nekurarwa honai harinyari
nxaaa" ndakadaro.

"Mwana walucy ndakuzokurova


unondijairira unoziva here kuti ndini
tete vako apana umwe ndibatisise
ndichiri kubatika" akadaro Kundai
achibva abuda anga atotsamwa
handinei naye ini.Ndakabatwa nehope
ndikazomutswa naElena abva
kuchikoro, vakakurumidza kubuda
sezvo yanga iri Friday.

"Sis ndaperekedzwa naLee apa


ndatengerwa yoghurt" kakadaro
kachifara aibvisa uniform.
"Aaah ko haana kunditengerawo nei
ane favour"

"Akutengerai yenyu yestrawberry


hanzi ndiyo yamunofarira" akavhura
bag rake akandipa ndakairova yese
ndikananzva nechivharo chacho.

Ndakasimuka ndikaenda kunogeza


ndanga ndakunzwa zviri nani.Lee
akafona Elena akadaira ndakangonzwa
kuti tiri kuuya.Ndaisada kuenda kumba
kwake ndanga ndakumutya
anozondiita zviya zviya ndisati
ndanyatsopora.Elena ndiye akati
akuda kunoona panogara Lee dai
zvisirizvo ndairamba.Takaenda
tikapinda tikasvika Lee akagara pasofa
akaturika makumbo patable
hake.Handina kuda kutarisana naye
ndakatarisa pasi akandimhoresa
ndikadairira pasi.Elena anga ari busy
kutarisa imba.Vakatanga kutaura ini
ndanga ndiri ziii.

*LEEROY*
Ndaitadza kuzvitenda kuti ndini
ndazvivhurira zvinhu pana
Hilda.Ndainzwa kufara mumoyo
mangu ndaida kumurongera
something chekumutenda nacho
chete.Zvaita ndinzwe kumuda
zvakanyanyisa ndanga ndakuda kuisa
pressure yekuti ndichimuroora.Asi
pasex anga achiri kurwadziwa
ndichamupinza mutune chete.Elena
aitaurisa hake mwana iyeye.

"Mkoma Lee mota inofamba naJane


haisi yenyu here" said Elena.

"Yanga iri yangu ndakaitengesera blaz


vake"

"Kutengesa mota yakanaka kudaro


amana"

"Yanga yakafa mainini"

"Kufei iye Jane anoti ndeyake wani


anotidadira achiti ndatova nemota ndiri
mwana iri kuoneka kuti inyowani"
akadaro Elena anga akuda
kundipinzisa busy.

"Haisi nyowani ndeyakare but


ndaisanyanya kuishandisa pane
maparts akashata pamota iyoyo
pamwe akazopihwa naBlaz vake nekut
ndivo vakandakatengesera"

"Hooo ndanga ndakanganwa


kukubvunza ndakamboona Jane
achipinda pano mazuva apera
akapfeka uniform anenge achida
kuona ani" akadaro Elena ndakarohwa
nehana mwana uyu akuda kubudisa
zvimwe zvandisingadai Hilda
azive.Hilda akanditarisa ndakaona ziso
rake rine chirevo chete.

"Haana kumbouya pano makatadza


kuona zvakanaka mainini Elena"

"Aaah ini maziso angu anoona andina


kutadza kuona mukuda kunyepa imi
munenge mukucheater sis vangu"

"Elena chinyarara wakatadza kuona


Jane haauye pano ndakamuti andidi
kukuona pano akanzwisisa, Lee ameno
hako ukatevedzera Elena uyo nyaya
dzake hadziperi" akadaro Hilda.

Elena haana kuita nharo akabva


anyarara hake.Takazoparadzana
vakaenda kumba kwavo asi
ndakarwadziwa Hilda akaenda asina
kundipawo kiss kana hug zvayo.

Zuva rekutongwa kwenyaya yaClever


rakasvika tikaenda kucourt.Waya
akazoburutsa evidence yese
yakashamisa Boss vaClever vaifunga
kuti Waya haana information
yakakwana.Boss vacho vakabatwa
vane yavo yekunyaritsa vana
vechikoro vasikana vachivarepa vatora
maprivate parts nemusoro.Tainzwa
noise panze panga pakazara vanhu.

Clever na Boss vakabuda vakaiswa


njema vatongerwa makore akawanda
mujeri.Vanhu vakadaidzira kuti
vapihwe death penalty.Vachifamba
kuendeswa kumota yemapurisa
vakatanga kutemwa nematombo
mevanhu.Vanhu vakaenda pana ana
Clever vakatanga kuvarova mapuriso
vakazomisa asi Clever naBoss vake
vanga vakuvara zvakanyanyisa.Boss
vake vakabva vafa,asi Clever
akakuvara zvakanyanyisa zvekuti
akaguka makumbo neruoko rumwe.

Imba dzavo tikanzwa kuti dzatsva


zvese nemashops avo.Waya
akatendwa nebasa guru raakabata
akabva apihwa chigaro
chepamusoro.Ndakabaya pamba
paWaya kunofara tichipembera kuwina
kwataita kucourt.Carick akafara
achibuda mujeri kana tete vake
vakakumbira ruregerero asi
akavaregerera naYollanda wacho.

"Lee sei usina kuuya naHilda"

"Ari busy uyo"

"Ko Jane ane nhumbu haisi yako here


Lee"

"Ndeyangu ndakabhaiza big time


ndakamupa mota kuti asaudze Hilda
ndakamuti anyepe kuti ndeye kurepwa
naClever"

"Chero ukadiii chokwadi


chichazongobuda chete Hilda
achangozviziva zviri nani umuudze
asati azviziva nekuti akazviziva ndaona
warambwa" akadaro Hilda.

"Hilda haambozvizive izvozvi ndoda


kutomuroora ndoenda naye kuEngland
tonogara ikoko tozodzoka pava paya"

"Lee ndaifunga kuti unofunga ndaona


pfungwa dzako hadzishande shuwa
haaaa zvakaoma" said Waya achiseka.

"Bhoo here Waya wakudaro"

"Belly ndakudanana naye ndoda


kumuroora zvekuti aive pfambi i don't
care moyo wangu wasarudzs iyeye"
said Waya.

"Haaa mwana uya iheavy mechina


makapinda bro"

"Even Hilda akanaka wani ane kabody


kari bhoo so anenge anonaka pabonde
chete

"Waya itogumira ipapo pana Hilda


ndouraya munhu handisi kuseka kana
kujoka she is my everything"

Ndakaenda kumba ndikasvika Jane


akarara padoor pangu airatidza kuti
anga ane nguva asvika.Akamuka
akada kundihaga ndikamumisa
akasunga face akanditarisa ameno
ndizvo zvinoita vanhu vane nhumbu
here.Ndakavhura door rangu munhu
akamhanya kupinda akananga
mukitchen mangu akazvibikira akadya
zvakandibhowa.Anga akundijairira
musikana uyu aidiii kudya kumba
kwavo apa aisiya asina kugeza
maplates ake asvibisa.

"Wakundibhowa unodiii kudya kumba


kwenyu chiii chiri kumbokunetsa
Jane"

"Aaah daddy ndofarira chikafu


chepano ndobika chandoda uko
kumba mama vanobika chondimisa
moyo apa choshata"

"Usandititi daddy wanzwa handisi dad


vako"

"Ndotokuti daddy uri baba vemwana


ari mudumbu mangu chero
wakamuramba hako dai akaita
mkomana ndiye waunozosiira pfuma"
akadaro Jane achisekerera kunga
aitaura zvine musoro.Akauya pandiri
akatanga kundikisa akapinza ruoko
mutrouse ndakamupusha akadonhera
pasofa.

"Lee usadaro kani chingondiita ka1


ndikunzwa kukuda ini"
"Shut up you bitch, ndiri mkomana
wemunhu zvaukuda andikwanisi enda
unotsvaga waunoita naye"

"Ndiwe wakandiitisa nhumbu ndoda


kurara newe,iwewe waimbondirairisa
nei uchiziva kuti unozondinyima"

"Jane ndakuzokurova manje chibuda


now" ndakadaro akatanga kuchema.

"Lee waramba ka thanks ziva


ndikuenda kunoudza Hilda kuti ndine
nhumbu yako"
Ndakaona kuti nyaya kwayakuenda
ndini ndaizonyura.Ndaisada zvekurara
naye hangu ndakamusofta
ndikamuudza kuti ndine marace next
week saka hazviite ndirare newe speed
yangu inozodzikira.Akanzwisisa
zvikatonzi paunopedza toita ka
akatanga kufara kwaniko handife
ndakarara naye futi uyu ndanga
ndakuzviona ane kahunhu kechihure
hure.Ndanga ndakuyemerwa
zvaindibhowa ndakazomuperekedza
kusvika pagate pangu.
Mangwana acho ndakamukira kuenda
kumusha ndaida kutaura nasekuru
vangu panyaya dzemombe ndafunga
zvekuroora Hilda.Vakafara vachindiona
kuzoti pavakanzwa kuti ndikuda
kuroora Hilda gogo vakaita kunga
vawina lotto.Sekuru vakafonera
mudhara vachida kutaura nyaya
yacho.Ndakabuda pamba
ndikamborova marounds
ndikazosangana naTasha akabereka
mwana.Akasvika nekupfugama
pamberi pangu akachema zvonzwisa
tsitsi achiti Lee ndiregererewo pane
zvese
zvandakakutadzira.Ndakamunzwira
tsitsi anga aonda wanga uchamuziva
kuti ndiye uya wemazigaro mahombe
here.Ndakatarisa mwana wake
ndikaona a.....

_thanks nemacomments_

*Watch out for chapter 39*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 39*

*#LEEROY#*
Ndakatarisa mwana ndikaona
akafanana naMike zvisingaite panga
pasina kana mubvunzo apa.Tasha
ndakamuregerera anga
achitonzwisawo tsitsi akutoita kunga
mkadzi mukuru iye ari mudiki nhamo
yanga yamutsakadza.

"Asi Mike ari kukushungurudza here


wadzikira"

"Aiwa handigari naMike akandiramba


zvese nemwana wacho ndogara kumba
kwedu asi ndozvibikira mama vakati
havachadi kundiona mukitchen mavo "
akadaro Tasha.

"Sei vachidaro zvakashata vanofana


kukutambira semwana wavo ehe
hongu waane mwana vanoda uendepi
manje ngavasadaro saka apa uri
kubvepi"

"Ndiri kubva kumaricho ndoda


kutsvaga mari yekutenga chibage
chekugaisa ndafa nenzara"

"Sorry Tasha everything will be okay,


pandikudzoka ndoda kukutsvagira
basa usarase tariro haushaye
anokuroora "

"iiiih thanks Lee chero basa


rawanditsvagira ndinotenda hangu
nerudo rwako neutsinye
hwandakakuitira huya sorry"

Tasha akafara panhau yebasa aitoita


kunga atoona basa racho.Ndakaenda
naye kushop ndikamutengera chikafu
chakawanda huri hupfu
ndakamutengera 50KG.Ndakaita izvi
kwete nekuti ndaida Tasha asi zvaari
zvacho zvakandinzwisa
tsitsi.Ndakadzoka kumba ndikasvika
vabereki vangu vatovapo.Ndakapinda
vari kutaura nyaya yangu.

"Lee ichokwadi kuti wazotofunga


kuroora Hilda" said dad.

"Ehe ndizvo ndiye wandinoda ndoda


azopedzisa kuenda kuchikoro ava
mkadzi wangu" ndakadaro.

"Ayas vasikana vacho vapera here


zvawakutora Hilda asi akakudyisa
kani" vakadaro mudhara wangu.

"Iwe Freddy handidi zvepamuromo


hangu chii chawakavengera Hilda
mwana uya tomuda ane hunhu" said
gogo.

"Hamuzvizive kuti Hilda ihure here


ndakambonzwa kuti ane chirwere
akafanana namai vacho chihure"
vakadaro baba.

"Mai Hilda takagara navo nguva


yakareba apana patakambonzwa kuti
vapinza murume pamba pavo kana ari
saHilda nyarara hako anga asina basa
nevakomana anditozivi naLee
vakapindirana sei ndaiziva
vakavengana" vakadaro gogo.
"Chero zvamataura Hilda atisi kumuda
and Lee hausi kuzomuroora ndapedza"
said dad.

"Ndoda kukuudzai zvandanga


ndisingadi kutaura Hilda ndakarara
naye ndini ndakamubvisa humhandara
ndosaka ndafunga kumuroora zvamuri
kutaura mudhara ndezvekupenga
manzwa hamundiudze zvekuita shitt"
ndakadaro mudhara nehasha
vakasimuka vachida kundirova
vakabatwa mama.
"Lee ndichamira newe kuti uroore
Hilda baba vako siyana navo
vanomboita kunga vanopenga"

Mudhara vakatanga kupopota dzanga


dzava hasha.Vakazodzikamiswa
nasekuru vanzi pano pamba pangu
haupopoti unoita zvandoda enda
unopopotera kumba kwako.Takaronga
taizomira munyai mavhiki
anovera.Takamukira kudzokera kwedu
kutown asi dad vanga vasina mufaro
vari samama vanga vatononokerwa
nekuti Hilda aite muroora wavo
vaimuda.Ndichisvika ndakafonera
Hilda ndikati tisangane kuground
akauya.Ndaiziva dai ndakati huya
paden airamba achifunga ndikuda
kumurova poto.

"Hesi Lee"

"Lee ndiani"

"Aah sorry daddy" akadaro akatarisa


pasi ainyara zvake Hilda.

"Ndanga ndakusuwa bbe"

"Kana neni daddy"


"Ndoziva sei kuti wandisuwavo nhai
my strawberry" ndakadaro.

"Aah Lee unoda ndikuratidze sei inga


ndakutextira makuseni hauna
kupindura"

"Okay bbe ndanzwa mavhiki anotever


a munyai achasvika ndazofunga
kukuroora handidi ufunge kuti ndoda
kungorara newe chete"

"Lee panonetsa zvandava kuenda


kuchikoro wadiii wambomira
zvishoma"

"Hilda handimiri ndoda uve mkadzi


wangu kana usingadi ndomira hangu"

"Handina kuti andidi Lee ndotya


kurohwa nababa vangu inga i told u
kuti vakaramba kuti undiroore vakati
tanga kupedza chikoro"

"Unotaura navo zvakanaka avakurovi"

Nyaya iyi yakanetsa Hilda akazobvuma


hake kuvaudza.Takabuda muground
takananga kumba kwangu ndakasvika
kuzvikandira pasofa.Hilda akagarawo
rake ega ndakaenda kunogara naye
ipapo ndikatanga kubata zvidya zvake
ndichipinza ruoko
mukati.Takazogumisira takutsvodana
ndikamurova poto pasofa ipapo this
time mwana ainakirwa ndakaona
nekakubatirira kaanga akaita.Umm
takaita kwenguva refu ndikazomusiya
hangu ndaneta akatanga
kuchema.Ndakatoshaya kuti
akuchemei munhu anga achinakirwa
achichemerera zviri sexy.

Ndakamumbundira akazonyarara hake


ndikamubvunza aichemei akati andina
kufarira zvawandiita ini.Akutoti
zvawandiita asi pataita taiwirirana adii
kundimisa ipapo kana anga
asingazvidi kungoti vasikana
vanonetsa.Dzakasimuka dzikanogeza
ndakatevera ndichida kugeza nadzo
ndikaona door repabathroom
rakalokwa akaramba kuvhura.Akabuda
hake akauya kumira pamberi pangu
akanditarisa akafutisa matama.

"Saka unongoda zvekurara neni chete


ka"

"Aiwa ndosaka ndikuti ndikuda


kukuroora kuti zvisanetsa ndiri munhu
wenyama Hilda nzwisisa" ndakadaro.

"Ndakutokutya ini Lee asi kutaura


pafair andizvifarire hangu ndosaka
ndisingachafariri kuuya pano"

Dzanga dzakatofutisa matama ameno


ndokutsamwa kwacho
here.Ndakamusofta
ndichimuperekedza kumba kwavo
ndasvika pagate zikiss randakapihwa
naye rakamutsa futi zvirere dai tiri
pagate pangu ndaimutakura
ndikadzoka naye kuti apedze
zvaatanga.Hilda chainaka zvacho
pabonde chakasiyana nana Tasha
pamwe zvinhu zvekuzvivhurira
ndozvazvinoita.

*HILDA*

Ndaisaziva kuti bonde ronaka


zvakadaro.Pandskarara naLee pasofa
ndakanzwa kunyatsa kunakirwa Lee
ainyatsobaya panonaka chaipo
zvandanga ndakasarira
nhai.Ndakazovhema andisiya
ndikafunga ndaitei nhai kutadza
kuzvibata ndakafunga mai vangu
ndikatanga kuchema ndainzwa
kurwadziwa kuti ndavatadzira futi
kuchi 2.Nyaya yekuroorwa ndiyo ichati
netsei zvayo ndoziva baba vangu
havabvume vanondirova zvavo asi
ndataura mkomana wangu
ndomuda.Ndakutoda kugara naye
achindiita everyday zvonaka izvi.

Pagate ndakapa Lee kiss ndikanzwa


ndakubaiwa baiwa padumbu ndikaziva
kuti mukuru ashatirwa ndakamhanya
kupinda mumba nekuti zvandanga
ndakunzwavo futi.Ndakasvika mai
vangu vachibika mukitchen
ndakavataurira nyaya yangu kuti
ndakuda kuroorwa Lee akataura
nehama dzake mavhiki anotevera
munyai anosvika.
"Asi Hilda watadza kumirira nguva
here sei waronga zvekuda
kukurumidza kuroorwa manga
madzidzana nguvai nemunhu wako"
vakadaro mai vangu vachiita kunga
vari kunzwisa tsitsi.

"Mhamha Lee haanetsi ndakamudzidza


uyo"

"Asi makarara mese here nhai Hilda


handichazvinzwisise ukaona musikana
akupa pressure kuvabereki anenge
akairairiswa chete, ini handikurovi
hangu ndiwe wega wazvisarudzira
kuroorwa hupenyu ndehwako
,marriage is not that easy
sezvaunofunga" vakadaro mama.

Mhamha vaitaura vachirwadziwa


vaisada ndiroorwe ndichiri kuenda
kuchikoro.Chishuwo chavo vaida
ndipedze chikoro ndozoroorwa
ndakuzvishandira vaiti ukaroorwa
usingashandi murume anokuita
yaanoda nekuti anoziva kuti akuna
kwaunoenda nekuti haushandi.Dad
pavakauya vakaudzwa nyaya yacho
vakandironga zvekuti mama naElena
ndivo vakazobata .Dad vakapopota
vachituka mhamha kunga ndivo vanga
vapara mhosva yacho.Ivo mama vacho
vanga vakubudisa misodzi
vakanyarara zvavo vakanditarisa.

"Pano andidi mahure tora mabag ako


ubve pano Hilda uende kukakomana
kako" vakadaro dad.Elena paakaona
mama vagara pasofa misodzi
ichiyerera pamatama avo akaenda
pavari akavapukuta misodzi ndakaona
anga atsamwa manje.

"Dad itai semunhu mukuru mama


munovatukirei vakwana papi,mhamha
vakatambudzika nesu kusvika tikure
kuti tadya here taenda kuchikoro here
kana kurwara ndivo vaitarisa,if you
don't love my mother tell us tibve pano
andidi zvekushungurudzwa mai vangu
ndatokunyarai kuti muri baba
ndingadai ndakutemai nedombo chairo
kana musingatide tiudzei tidzokere
kwatakakurira atina kusiya tapisa
musha, pedzeranai nemunhu ane
mhosva kwete kupinza vamwe vanhu
vasimo" akadaro Elena achibudisa
misodzi zvanga zvamubata
chokwadi.Dad vakatarisa mama
vakaona vakatsikitsira pasi vakasvika
nekuvatakura vakaenda kubedroom
kwavo ameno
zvavakanotaurirana.Papera kanguva
ndakaona vanhu vabuda vakabatana
maoko vachiratidza kuwirirana
ndikaziva kuti mai vangu vasoftwa
chete.Havaregi nemunakiro unoita
varume so haa Lee anondiitira
handifunge kuti ndichamusiya ini.

"Hilda hausi kuzoroorwa wanzwa


kusvika wapedza chikoro ndapedza
newe" vakadaro dad vakabuda
namama vakatakura CJ.Ameno kuti
vakafunga kuenda kupi
vachitisiyawo.Ndakaona mama
vainyengererwa chete vaienda
kunofara chete.

"Sis muri kuona nyaya dzenyu


zvadzakonzeresa"
"Saka ndatadza here ndavaudza
chokwadi usandibhowa iwe"

"Chero mukandipopotera zvandataura


mazvinzwa" akadaro
Elena.Ndakamupa mbama
akadzorerawo tikatanga kurwa.Ndanga
ndakuda kutokurirwa ndaishaya simba
rakaendepi pamwe rakabva pakabva
humhandara hwangu.Dai kare kangu
ndakatomupesanisa shaya.Tete
Kundai ndivo vakazobata dai vasina
kubata ndaikurirwa nekuti Elena wacho
anga ane nharo wena.
"Ndisiyei ndimubvise dzungu mupfana
uyu anofunga ndine zera naye"
ndakadaro ndichiedza kuenda kwanga
kuna Elena asi ndanga ndakabatwa
zvakasimba.

"Futsek kushata kunga bota ratsikwa


nehuku" said Elena.

"Muri kumunzwa zvaari kutaura


ndisiyei mhani"

Vana mhamha vakadzoka vakaona


tisiri kiwirirana naElena.Mama vakatora
Elena vakamurova vachiti hauna zera
naHilda respect her haasi mwana
wako.Dad ndivo vakabata ndakazviona
vainyanya kumuyemedza.Zuva iri
akaramba kurara neni akarara natete
Kundai ameno zvakawirirana sei.Pakati
pehusiku tanzwa mhere vaiva tete
vaichema.Takamuka tikaona vari
kutenderera nemba yese kunga vari
kurohwa.

"Tarie kani ndisiyewo" vakadaro tete

"Tarie ndiani aripi" ndakabvunza.

Tete vaingonongedzera asi taisaona


chinhu.Ndakaona kunga vakupenga
chete mama nadad vakabuda muroom
mavo vakaona tete vachiumburuka
pasi vachibata kumusana vaiita kunga
vairohwa vaingodaidzira zita raTarie.

"Mkoma ndibatsireiwo kani ndofa here


honai Tarie akabata shamhu" vakadaro
tete vachitaura nadad.

"Dad who is Tarie" akabvunza Elena.

"Mai vaCJ"
Mhamha vakatora bible ravo vakatanga
kunamata,CJ kakatanga kuchema
kunga kasvikirwa mama vakati
musamutora siyai akadaro.Mhamha
vakanamatira tete zvekuti vakabva
vambodzikama asi havana kutaura
zvaiitika zvacho.Tete Kundai
vakazorara zvakanaka Elena
dzakadzoka muroom mangu.Kuti tete
Kundai vane chekuita nekufa kwaMai
Cj here ameno.

Mazuva akafamba ndakatanga


kungonzwa kungoneta ndaiswera
ndakarara muclass ndaizotomutswa
nguva yelesson
yakwana.Ndakatozvishayawo kuti chii
chaizvikonzeresa.Elena akauya
kunditora kuclass tikaenda kumba
ndainzwa dzungu takakwira combi
tikakurumidza kusvika.Ndakasvika
moms vachikwatisa chicken mukitchen
pandakangonzwa kasmell kacho
kakandimisa moyo ndikatanga kurutsa
ipapo padoor pandanga
ndakamira.Ndakarutsa veduwee
zvekuti ndakanzwa kupera simba
mumakumbo ndikabva ndadonha pasi
ndiye ziii.

_thanks nemacomments_
*WATCH OUT FOR CHAPTER 40*
[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 40*

*#CINDY#*

Petso anga achinja ave kuonekerawo


tanga takupengesana
zvemufirimu.Anga atsvukirawo
ungazomuziva kuti ndiye aifudza
mombe here.NaPetso takabvumirana
kuti taizorara tese kuhoneymoon
akanzwisisa hake.Chandaifarira
taibatana zvedu asi aiziva
pekugumira.Petso anga akugona
kugadzirawo mota aidzidziswa naboss
vake.Dzimwe nguva ndiye aigadzira
kana boss vake vasipo vaipindirana
zvisingaite.Petso anga akutya Lee
kubva zuva raakatiwana kuground.

Vana muchembere vakaenda kumusha


ndikasara ndega pamba
paitobhowa.Sezvo ndanga ndiri six
ndaiswera ndichiverenga kana
ndikasvotwa ndainoona Petso kubasa
kwake.Petso pamwedzi yaakashanda
akaextenta imba yamai vake nekuisa
tap yemvura pamba pavo.Vanhu
vakatanga kutaura vachiti Petso
akaenda kunoramba.

Petso haana kukanganwa shamwari


yaake yaifudza nayo mombe
Tendai.Akamutengerawo hembe dziri
mufashion nekumupawo kamari.Petso
anga asati ane mari yakawanda hake
asi pashoma iyoyo ndakafarira
aishandisa zvine musoro.Petso
ndakamupa advice yekuti achengete
mari azotenga stand ovaka imba yake
mutown.Achatoivaka chete ivo vaibata
mari pazuva nezuva yakawanda
futi.Mwari ndewe munhu wese
anosimudza marombe kubva
muguruva.Ndaiona bright future pana
Petso chero anga asina chikoro.Ko
akati chikoro ndicho chinoita munhu
abudirire ndiani inga vakawanda vane
chikoro vari kungotambura
wani.Chandakaona kushandisa njere
kwako ndiko kunoita ubudirire
nekuzviisa pedyo naMwari.Handisi kuti
chikoro chakashata aiwa chakanaka
asi kana usina chikoro kana wakafoira
don't lose hope.

NaLee tanga tisingachanyatsi kutaura


tese kubva zuva raakandiwanikidza
naPetso.Aiwanza dzungu ndoshaya
andidi zvekufidzwa ini.Ndakanzaa
knock padoor ndikavhura anga ari
Jane kadumbu
kakutokura.Ndakamupinza mumba
akandikumbira mvura ndikamupa.

"Ko vabereki vako varipo here"

"Aiwa vabuda vaenda kumusha"


ndakadaro.

"Eish saka ndaita munyama ndine


zvandikuda kuvaudza" akadaro Jane
achibaya baya foni yake.

"Okay ndipe number dzako


ndizokufonera pavanodzoka"
ndakadaro akandipa # dzake.
Ndakamubuditsa panze
ndikashamisika ndichiona mota
yaLee.Ndakaona Jane achipinda
imomo akaimutsa akarova pasi.Moto
iyi Lee akandinyima aisada kundiona
ndichiishandisa asi apa Jane akoshei
nhai.Asi pane zvari kutsikisa naJane
kuti nhumbu yaanayo ndeyake.

Kana nhumbu ina Jane iri yaLee , Hilda


anoita BP chete nokuti aida mkoma
vangu nemoyo wese.Ndakadzoka
mumba ndikatanga kuenderera mberi
nekuverenga kusvika ndabatwa
nehope.Mangwana acho vana
muchembere vakadzoka ndakafara
vakandivigira nzimbe nemazhanje.

"Pane musikana akauya


achikutsvagai" ndakadaro

"Anonzi musikana iyeye aida ani" said


moms.

"Ndi Jane akuda kuona imi nadad


ameno zvaari kuda kutaura" ndakadaro
ndikatextira Jane kuti auye kutaura
nyaya yake.Akauya futi nemota yaLee
iya ndakanyatsotarisisa ndikaona
ndiyo yaLee.Akamhoresa vanhu vese
asi mhamha avana kudaira vanga
vatofutisa matama vakatarisa
Jane.Vaita kumupima kutarisa kubva
kutsoka kusvika kumusoro, ndakaona
ndega kuti mama vanga vakavenga
musikana uyu.

"Ndafara ndakuonai ndakasvika


nezuro musipo ndine nyaya yangu
yandoda kukuudzai kuzvida kana
kuzvida mufona kuzvitambira
sezvazviri" akadaro Jane akarova
serious.Ndakarohwa nehana kuti yava
ipi yakutambika.

"Okay tiri kunzwa taura nyaya yacho


tinzwe' said dad.

Jane akataura nyaya yake yese achiti


Lee akamurepa akadhakwa achiti iyi
inhumbu yake.Akati Lee akamuti
asataura akamupa mota nemari
pamusoro ndakanzwa hasha
nekunzwira Hilda tsitsi kuti mkomana
atoenda.Lee andizvirambi kuti akarepa
Jane anozviita iye akapotsa andirepa
akadhakwa.Ko sei achiramba achinwa
doro racho nhai chasara kurepa mai
vake futi kana gogo zvobhowa izvi.

"Ndanga ndisingadi kuzvitaura asi


akundiita kunga hure inini manje
ndakanyepera mama vangu kuti ndeye
kurepwa naClever manje ndoda
kuvaudza chokwadi nhasi" akadaro
Jane akakwidza voice rake.

"Kuti hausi hure here sei iwewe wega


uchingorepwa nhai, pamwe pacho
muchauya muchitinyepera ini
anditeereri matsvina akadaro wanzwa
get out zihure remunhu unoti
andizvizive kuti ukuda kungodya mari
yemwana wangu chete" vakadaro mai
vangu vasimuka vachinongedza Jane
anga akusvimha misodzi akatsikitsira
pasi.
"Iwe mai Lee ndini baba pano ito vhara
kamuromo kako unoda Jane adiii ari
mwana wako Lee asina kurairwa
amitisa Jane, isu pamitemo yedu atina
mwana anozvarirwa kunze manje
manje tiri kuuya kubvisa roora, iwewe
don't tell mom vako kuti wakarepwa
naLee" vakadaro dad.

"Mudhara munenge makubhema chete


imimi zvekuroora zvapinda papi ko
madii kubvunzawo Lee kuti anoti chii
inogona iri nhumbu yaLee remember
zvakaita Tasha paya" ndakadaro.

"Andibvunze Lee ini munhu ane


nhumbu wacho ataura kuti ndeya Lee
kuda kana kusada munhu uyu atova
mkadzi waLee mari tikunobvisa"
vakadaro dad.

"Izvozvo azviitike ini Chihera ndiri


mupenyu kana kuri kurovana torovana
you can't my son kuita zvaukuda
chandoziva Lee anoda Hilda not hure
iri" vakadaro mama vakabata
muchiono vanga
vagumbuka.Vakatanga kupopotedzana
nadad.Vari kupopotedzana ndakabata
Jane ndikamukandira kunze.Jane
akangodaidzira kuti kana maramba
haisi nyaya Mwari ave nemi.Nyaya iyi
ndaida kunzwa Lee wacho.Ndakapinda
mumba ndikaona mudhara vachipa
mhamha mbama ivo mhamha
vakadzorerawo hanzi unorova asina
maoko.Ndakanomira pamberi pavo
vese dad vakagara pasofa vari ziii asi
mhamha dzanga dzakupopota.

"Freddy sei uchindirwadzisa heee


pamwana wangu haite zvaunoda ane
kodzero yekuroora munhu waanoda
not hure iri" vakadaro mama.

"Ko zvauri kuti hure wakamuona


achihura,Cindy fonera Lee wacho auya
tinzwe kuti ari kuti chii"
"Pano pamba panoti inini unofunga
kuti kunyarara kupusa last time
ndakakusiya ukamanikidza lee kuti
agare naTasha manje this time
unonyepa hazviitike ndichirarama"
vakadaro futi mai vangu.

"Mhamha kani zvakwana mirai tifonere


mkoma Lee"

"Andinyarari kusvika baba vako


vanzwisisa"

Ndakazoita kubuda panze ndikafonera


Lee akauya akasvika mhamha
vachingopopota.Nyaya yanga yakora
muto dad vanga vati ziii kuti kutya
mhamha ameno.

"Iwe Lee huya pano ndoda kukurova


nhasi wakajaidzwa une shuwa
ungarara naJane"vakadaro mai vangu
vakasvika kurova mkoma Lee.Dad
ndivo vakabata mama vakanovharira
mubedroom mavo.Vakakiya vakauya
kwatiri taingonzwa mama vaingovava
varimo mubedroom vachirova rova
door.

"Lee uri kuona zvawakonzera manje


why wakarara naJane ko wakatadza
kungoroora Hilda here" ndakadaro

Lee akatsanangura zvese zvakaitika


achinzwisa tsitsi.Ndakamutuka
zvisingaite anonwirei doro racho.Akati
please musaudze Hilda ndichamuudza
ndega.

"ZvaHilda itosiya ndoda kumuudza


ndiriini, zvazvadai takunoroora
mangwana chaiye simbi inorohwa
ichapisa mai vako dzungu too much
asi ari bhoo Jane ndikufara ndinenge
ndakunzi sekuru" vakadaro dad vangu.
"Aiwa dad I don't love Jane ini,
musapindira munyaya dzangu
ndopedza ndega please nekuti
pandakarara naye manga musipo"

"Chero ukadiii atova mkadzi wako


wanzwa"

Lee akabudisa misodzi akati *Byee


thanks for everything dad,Cindy
unaudza mama kuti musandisiyewo
paminamato yenyu.Cindy take of my
mother please* achipedza kutaura
mashoko aya akabuda.Ndakashaya
kuti aiedza kuti chii asi kune kwaari
kuda kuenda kani.Ndakaona
airwadziwa aisada Jane zveshuwa ko
sei mudhara vasingadi Hilda aroorwe
naLee asi vakarambwa naye kani.

*HILDA*

Ndakamukira muchipatara mai vangu


vakagara paside pangu vakabata
shaya.Elena anga akamira pawindow
akatarisa pasi ndaiona pfungwa dzaive
kure.Vanhu ava ndakaona kuti vanga
vasina mufaro ndakashaya kuti chii asi
pane zvaitika kani.Ndakatarisana
naElena maziso ake anga atojenga
misodzi.

"Sis ndanga ndisina kutarisira izvi


kwamuri manyadzisa mhamha
ndikuona madzingwa pamba nadad"
said Elena.

"Ini kunyadzisa mhamha how? Vari


kuda kundidzingirei ndadiii"

"Hilda une nhumbu ndizvo zvataurwa


nadoctor ende haute ndoshaya wanga
waziva murume nguvai ndaishuvira
utorwe nemuchato manje
wandinyadzisa ndakutovimba naElena,
Elena andidi uite zvaitwa nebenzi iri I
know unoteerera" vakadaro mama
vakabva vatobuda.Ndakachema
ndakatadza kuzvitambira kuti
mudumbu mangu mane
kamwana.Ndakatanga kuzvituka
nekusazvibata kwandakaita sei
ndakatadza kumurira nguva nhai.

"Asi sis maizviitirei"

"Elena zvakangoitikawo
ndisingafungire ndodiii mwana wamai
vangu" ndakadaro ndiri kuchema.
Doctor vakapinda vakanditarisa
ndikabudiswa.Takaenda kumba
ndaifunga kuti apa manje ndodiii
ndoibviss here or nditizire.Elena
ndaimuziva nekutaurisa asi zuva iri
anga akanyarara.

Takasvika pagate ndikaona mabag


angu ari panze.Ndikaona dad
vachibuda vachikanda bhutsu dzangu
panze ndakatoziva kuti vabudisa
mabag angu.Pasina nguva mama
vakabudawo misodzi iri pamatama
vakanditarisa vakabva vatarisa kuside.
"Apasisina nzvimbo yako pano
wotoenda kumurume wako
andingachengeti munhu akuziva
varume" said dad.

"Aaah inga tete Kundai vakuziva


varume wani makadii kuvadzinga but
azvisi fair andidi sis vangu
muvadzinge kunga muri kudzinga
imbwa taurai navo zvakanaka kutadza
kuri muvanhu" said Elena.

"Iwe nyarara apo chii chaunoziva Hilda


ibva pano unozotofurira Elena kuhura"
vakadaro dad.Vakauya vakabata ruoko
kupinda naye mukati iya airamba
vakazobatsirana namama kumupinza
mumba aichema achiti sis vangu
kani.Gate rakabva ravharwa nekubva
ratolokwa ndakatombochema
ndakagara ipapo.Ndakaenda kumba
kwaLee ndikavhura ndikapinda
ndagara ndine maspare keys.

Lee anga asipo ndakazama


kumufonera asi foni yake
yaitoramba.Ndakafonera Cindy akauya
ndikamuudza nyaya yangu ndikaona
akuchema ndakashaya kuti akuchemei
hanty aida ndiroorwe namkoma vake.
here.Ndakaona pane zvaida kutaura asi
zvairambira pamuromo.
"Cindy ukuchemei ndini ndofana
kuchema kuti ndadzingwa kumba"

"Apana makoti ndanga ndisina


kutarisira izvi ndaida mutorane
nemuchato ini" said Cindy.

"Manje zvaramba tongoita iripo,aripi


Lee wacho foni yake ikuramba"

"Ameno aripi akagumisira kubatika


nezuro"

"Pamwe akanditiza asi sei ini


ndakazvitambisa " ndakaro
ndakudemba.Cindy aingondisimbisa
asi pfungwa dzanga dzatova
kure.Takaita week tichigara pamba
paLee naCindy iye Lee kana kubatika
foni yake ndaizama zuva nezuva
ichingoramba ndakatoziva kuti
kunditiza.Saka aindinyepera kuti ari
kuda kundiroora ndanga ndakugara
ndichingochema pese pandaifunga
Lee.Lee ndomuda ameno sei anditiza
ameno ndikarara i can't live without
him.

Kwava kudoka Baba Lee vakapinda


vakabata mabag vaina Jane.Cindy
akanditarisa akati sorry Hilda
ndakashaya kuti aidza kuti
chii.Takapinda mumba tikagara
pamasofa asi hana yangu yanga
yakurova ndakaroziva kuti something
is wrong chete.

"Hilda Mtetwa mwana waCasper uri


kutsvagei pano" said dad vaLee.

"Sorry ndakadzingwa kumba kwedu


ndine nhumbu yaLee"ndakadaro Jane
akanditarisa zvekushamisika.

"Hooo une nhumbu yaLee, ko Lee


wacho aripi wandisiri kuona"
"Andizivi ndakasvika asipo "

"Saka makeys ekupinda pano


wakamaonepi"

"Ndanga ndagara ndinawo kubva kare"

"Nditambidzewo makey acho"


ndakavapa makey vakabva vatambidza
Jane ndakashaya kuti vari kuedza
kudii.
"Munhu wandapa makey ndiye ane
nhumbu yaLee ndiye mai vapano not
you hure kufanana namai vako pano
unotobva" pandakanzwa izvi
ndakadonha pasofa ndiye
ziii.Ndakamuka ndadirwa mvura
naCindy saka Lee airara naJane pese
apa achindinyepera kuti ari
kumucomforta.Saka Elena aitaura
chokwadi kuti aiona Jane achiuya
pamba paLee.

Zvakandirwadza sei Lee andirwadzisa


nenzira yakadai.Saka arara neni
achiziva kuti akamitisa Jane
kudhara.Mota iya obvious mota ina
Jane akatomupa kuratidza kuti
anomuda saka apa apana changu
ndakachema veduwe.Ndakatarisa Jane
ndikaona akatsikitsira pasi ndaida
kumupwanya pwanya asi Cindy
akandibata zvakasimba.Lee
ndamuvenga psi nekudenga handife
ndakamuregerera zviri nani kufa ndiri
single mother.Hongu ari mumoyo
mangu i will try my best kumubvisa
pamoyo pangu chero zvikatora nguva.

"Uchiri kuziva wakandiita benzi iwewe


ukandimhanyisa nedemo pamba penyu
kumusha tora mabag ako ubve pano
ndisati ndakatumbura kadumbu ako"
vakadaro baba Lee.
Ndakasimuka ndichichema ndini here
ndakudzingwa pamba pamukomana
wangu.Ndakapinda mubedroom
ndikarongedza hembe dzangu
mumonach yangu.Ndakatarisa pabed
ndikafunga zuva randakabviswa
humhanda ndikachema.Ndakabuda
Cindy akaedza kumira neni asi
zvakaramba baba vake vanga vari
imwe type.Ndaizviziva kuti
vakandivengera kuti vakarambwa
namai vangu.Kwanga kwatosviba
ndakafonera foni yaBa Kevie yairamba
apa ndaisaziva kumba kwavo.Cindy
akabatwa nababa vake vakamukanda
mumota anga achida kunditevera
akabva atoendwa naye kumba
kwavo.Ndakaona Jane achibhidhaira
kuuya kukiya gate ndakamutarisa
akatarisa kuside.

Akakiya gate rake, ndakagara panze


ndikachema ndakagara ipapo.Ndanga
ndakushaya kwekuenda ndakafunga
kudzoka kumba asi ndakaona kupedza
nguva andichadiwiko.Ndakadhonza
monach yangu ndichitevedza road
ndikabuda muarea medu.Ndanga
ndaneta ndakaona pane imwe imba
isati yapera kuvakwa ndakatopinda
imomo ndikabudisa kazambia kangu
ndikawaridza pasi ndikafunga juzi.Musi
uyu ndakarohwa nechando kwete
zvekutamba.Dai ndakaziva
ndakateerera mashoko amai vangu
ndisiri pandiri iko zvino.Misodzi
yakatanga kuyerera pamatama
ndakatanga kufunga Lee.Lee sei
anditiza asi ndakashata here inga
aindurumidza achiti ndiri huchi wani.

_Where is Lee_

_saka Hilda achadii zvaasina


kwekuenda_

_drop your comments_


*WATCH OUT FOR CHAPTER 41*
[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 41*

*#HILDA#*

Chando chandirova kusvika ndati


eke.Pandaizoonana naLee
taipedzerana chete ndakaona kuti
ndakatadza kumupa humhandara
hwangu.Ndaizama kumubvisa mumoyo
asi zvairamba.Ndaitadza kuzvitambira
kuti shuwa Lee wangu ndiye baba
venhumbu yaJane ndainzwa
kurwadziwa.Asi sei akandirwadzisa
kudaro inga humhandara ndakamupa
wani kungoti varume havagutsikane
zvavo.Kwakanonika kuedza zuva iri
ameno chiii hope dzakazondibata
kwakutoedza.Ndakamuka ndikafunga
kuenda kumusha, ndakambofunga
kuenda kwaWaya asi ndakatya
kumuremedza mutoro.Ndakaenda
parank ndikanokwira makombi
ekumusha kwedu ndikarova pasi.

Vabereki vangu ndanga


ndatovatsamwira dai vaindida
vakataura neni zvakanaka kwete
kundidzinga kunga imbwa
kudaro.Ndakaona kunga vaida Elena
kupfuura ini hazvina hazvo basa Mwari
ndiye anoziva.Ndakasvika masikati
ndikapinda mukaroom kangu
kandaimboshandisa ndakatanga
kutsvaira tsvaira misodzi iri pamatama
ndaitadza kuzvitambira kuti ndini here
ndakutambura kudai ndatova
nenhumbu isina baba, ehe haina hanty
akatiza here munhu wacho.Mari
ndanga ndine shoma ndaifunga
kunohodha madomasi ndotengesa
kumusika zviri nani ndipo paizobva
mari yepreparation neyechikafu futi.

Ndakabuda ndikaenda kushop


ndikatenga chikafu changu pakasara
mari yekuhodhesa madomasi
chete.Gogo Maviza ameno vakaudzwa
nani kuti ndakadzoka vakauya
kundiona ndikavaudza nyaya
yangu.Vakati huya ugare kumba
kwangu hazviite ugare wega
ndakaramba nekuti ndaiziva baba Lee
vaiuya vakandidzinga futi ndaisada
kuvaremedza nemutoro.Vakaedza
kundinyengerera vakaramba
ndakavaudza kuti musaudze ani naani
zvake kuti ndiri kuno ndaisada kuti
vana Cindy namai vake vauye
kunditsvaga ngavaite
zvaJane.Vakanzwisisa zvavo
vakandipa chibage chekuzogaisa
ndakavatenda nerudo rwavo.Gogo ava
vanga vane rudo neni vaiuya kundiona
zuva nezuva vachindisimbisa
ndaizvifarira vachiti usarase tariro
ukaona zvadai zvave pedyo
kunaka.Nyaya yekushaikwa
kwemuzukuru wavo yaivadya moyo
zvisingaite.

Mazuva akafamba kadumbu kangu


kanga kakuoneka zvako.Ndaiti
ndikabata dumbu ndaitanga kuchema
ndichiudza kamwana kari mudumbu
mangu kuti ndiri kutamburirira iwe dai
pasina iwewe ndaizviuraya chete
ndiwe mufaro wangu.Ndaitaura kunga
ndiri kutaura nemunhu wandiri
kuona.Ndaiswera kumusika kwangu
vamwe varume vaizama kundipfimba
vachifunga kuti ndiri hure
ndaivashaudha zvekuti vaitoti mwana
uyu anopenga.Rimwe zuva ndichibva
kumusika ndakasangana namai Tasha.

"Hevoo vemakore madzoka waiti


unosvikepi takagara tazviona kuti
akuna kwamuri kuenda honai
ramitiswa rikarambwa asara ndiElena
uyu haapedzi kana 2months anenge
amitiswavo akuna anoroora tsvina
dzakadai" vakadaro vachiseka
zvavo.Ndakaramba ndiri ziii ndaisada
zvenoise vakataura zvavanoda ndiri zii
vapedza ndikabva ndaenda kumba
kwandakasvika nekuchema.Gogo
vakasvika ndiri kuchema ndakagara
panze.

"Muzukuru wangu ndosaka ndakati


huya ugare neni unopisa mwana ari
mudumbu ukanyanya kufungisisa
zvimwe siyana nazvo Mwari vari kuona
havakusiye wakadaro" vakadaro gogo.

"Gogo zvinombondiremerawo ini


vanhu vakutaura zvavanoda neni Lee
ndamuvenga pasi nekudenga chero
akadzoka andidi kuroorwa naye zviri
nani ndife ndiri single
mother"ndakadaro

"Okay ndakunzwisisa hangu


andipikisa zvawataura asi ndoda uziva
kuti Lee anokuda nemoyo wese chete"

Gogo vakabva vaenda kugarden


kwavo.Ndakasara ndichibika
mufushwa wangu une dovi nekasadza
zvaindinakira sei.Tasha akabva
asvikawo akabata mwana wake anga
akafanana naMike.Tasha anga aonda
ndakaona kuti uyu aitambura worse
kutopfuura nhamo yandinayo iko
zvino.

"Tasha ndakasvika pano kudhara kana


kuuya kumbondionawo ende hauite
shamwari" ndakadaro.
"Iiiih ndabva kuzvinzwa nhasi kuti uri
kuno aaah wane nhumbu"
zvakamushamisa.Ndakamuudza
chokwadi kuti ndeyaLee asi akanditiza
akamitisa umwe musikana futi atori
nenhumbu.

"Akaita hutsinye Lee ndaisafungira


kuti angakudaro nemadiro awamuita
aya" said Tasha.

"Vakomana ndizvoz zvavari


ukamuratidza kuti wakaperera paari
anokuita bhora" ndakadaro
"Ini hangu handichaite zvevakomana
ndozvitamburira nemwana wangu
ndichiita maricho"

"Zvitori bhooo pane kutsvaga mari


nekutengesa muviri ,anonzi ani mwana
wako"

"Anonzi Tecla"

"Kkkk saka wakura mai Tecla"


ndakadaro ndichitoseka zvangu.
"Aaah iwewe manje manje unenge
wane kakowo kamwana"

"Ehe dai kakaita kamusikana ndiko


kandiri kuda" ndakadaro ndakabata
dumbu rangu.

"Manje achaita mkomana otanga


kunetsa sababa vacho" akadaro
achiseka.

Ndakamupakurirawo chikafu
chandanga ndasiya
akadya.Akandibatsira kusuka
mandiro.Tasha anga achinja atova free
akutaurawo zvine musoro ndakaona
kuti shuwa nhamo inochinja
munhu.NaTasha tanga takuwirarana
vanhu vakatanga kutaura zvavanoda
vamwe vaiti ndiri kudanana nevarume
vavevanhu kunyanya mai Tasha ndivo
vaifambisa mashoko
ekunyepa.Vaifamba vachiti
ndakarambwa naLee ndawanikidzwa
ndakarara nababa vake.Muraini apana
anga achandifarira kunze kwagogo
naTasha vamwe avo vaingonyomba
nekundiseka.Dzimwe nguva mai Petso
vaindibatsirawo vaigona kundipa kana
bhurera mahana vanga vakutengesa
mabhurera pamba pavo.
*ELENA*

Andina kufara nekamudzingirwo


kakaitwa sisi vangu.Hongu vakatadza
but vaifana kuvaudza zvakanaka ivo
vaizoenda vega kumuridzi
wenhumbu.Ndainamata kuti dai
vakanogarisana zvakanaka
naLee.Mama vanga vakugara vari ziii
vanga vasinga chanyanyi kutaura
ukavabvunza vanoti apana chiri
kunetsa.Tete Kundai vanga vari kufara
zvisingaite hanzi ndiwe wasara
kumitiswa ndoda utobvawo pano.

Mazuva akafamba ndaifunga sis


vangu.Ndakaenda kumba kwaLee
ndichida kunovaona ndakasvika
ndichiona Jane.Akandiudza kuti Lee
haasi kuoneka sis Hilda vakadzingwa
pano naba lee.Ndakamuti saka iwewe
pano ukuitei akati ndini ndakugara
pano ndine nhumbu yaLee.Ndakabuda
misodzi sis vangu vakadzingwa
futi.Sisi vangu vakaitiswa naLee chete,
ndakasiya ndamutuka
Jane.Ndakapedza mazuva
ndichitsvaga sisi vangu asina kuvaona
ndikafonera mkona Kevie vakati
havako kumba kwavo.Ndakaona kunga
mhuri yana Lee yakachekeresa sisi
vangu ndakanzwa kuvavenga.

Cindy akauya achiti akutsvaga Hilda,


iye akangauya kutsvaga Hilda achiziva
kuti vakamuchekeresa
ndakamushaudha akaenda kumba
kwavo akasvava.Kana vakauraya sisi
vangu taizosvitsana kumapena.

"Saka dad namum hupenyu huri


kunakidza here" ndakadaro.

"Zvauya sei izvozvo,hungatadza sei


kufaya isu tichichengetwa nenyasha
dzaMwari"said moms.

"Nyasha dzei dzamuri kutaura musada


kundivhara imi"

"Elena ndinokurova wa nzwa ziva


hausi kutaura nevana vadiki" said
moms.

"Rovai kana kundiuraya chaiko kana


murimo mudhiri rekuchekereswa
kwasis vangu ooh naMwari
topedzerana pano"
"What akachekereswa ndiani"
vakadaro mama vavhura ziso
vakanditarisa.

Ndakavatsanangurira zvese zvakaitika


ndikaona mama vakuchema.Vakabuda
vakaenda kumba kwaLee vachiti
ndikunyepa vakaudzwa kuti Lee
haachagari pano akadzingwa mazuva
apera manheru ameno aripi.Mama
vakadzoka misodzi iri pamatama
vakatanga kutuka dad.

"Casper ndikuda mwana wangu pano"


said mai Hilda.
"Lucy saka uri kuedza kuti ndini ndine
mhosva nekushaikwa kwaHilda here"

"Ehe ndiwe waimudzingirei hona


zvazvaita manje"

"Hausiwe wakati timudzinge here,saka


waida agare pano nenhumbu here"

Mhamha vakatanga kuchema zvaipisa


tsitsi vaitoita kunga vanzwa kuti
afa.Dad vakanyaradza mama
vakasimuka tikaenda kumba
kwevabereki vaLee.Takasvika
vakagara mudinning mavo takapinda
tisina kana kuknocka.

"Where is my daughter" said dad


vakatarisa mai Lee nababa vake.

"Atizive kwaari sei ukubvunza isu tisu


tomuchengeta here"

"Baba imi ndinokuvezai taurai


kwamakaisa sis vangu munoti
handizvizive kuti makavadzinga pamba
paLee mazuva apera ayo ari manheru"
ndakadaro.
"Ehe ndakamudzinga wafunga kudiii
pane mkadzi waLee ari kugarapo"said
ba Lee.Dad nehasha vanga vakuda
kurova baLee asi vakabatwa namama.

"Hey hey please noise hakusiko


kupedza nyaya ndokumbira tese tigare
pasi titaure sevanhu vakuru" said mai
Lee.Munhu wese akagara mumasofa
ndiye ziii.

"Freddy waipfimba mkadzi wangu


ndikakusiya izvozvi woita zvaunoda
pamwana wangu wakamudzingirei
ndiwe Lee here" vadaro dad.Mai Lee
naCindy vakavhura ziso
zvekushamiswa nazvo.Mai Lee
vakachema vachituka murume
wavo.Ivo baba Lee vanga vasvava
vakatarisa pasi mkadzi
achipopota.Takabuda tikasiya ba Lee
vachitukwa murume mkuru
asinganyari kupfimba mkadzi
wemunhu.

Ndakambofunga kuti sis vakaenda


kumusha asi ndakazviramba ndafunga
kuti pamwe tiri kuswera kutemeseka
musoro vari vese naLee.Mama vanga
vakugara vane stress nguva dzese
kana kudya chaiko vanga vakuramba.
"My wife unoda ndidii chaizvo kuti
udye hona wakutodzikira" said dad.

"Ndoda mwana wangu ini " vakadaro


vakasimuka vakutochema ndakaona
zvanga zvakuva bata bata.

Dad vakatora mama vakavavarisa


pamakumbo pavo vakatanga
kuvapakisa chikafu.Mama nekunyara
kuti ndaizviona vakasimuka kugara
pavo vega vakazvidyira dad vakatanga
kuseka zvavo.Nyaya yasis vangu ndiyo
yaiva topic kuchikoro.Vamwe
vainzwira sis tsitsi vamwe vachiti
anakirwa atorerwa murume akapusa.

Ndakaenda kumba ndikasvika pangori


natete kundai vaidya chikafu
changu.Apa nzara yanga yakandiruma
sei, akuna chibhowa kuti wobva
kuchikoro wosvika kumba uchinzwa
kuti chikafu chako chadyiwa.

"Asi tete sei mune hutsinye mukudya


chikafu changu"

"Chikafu chakatengwa namkoma


vangu hapan mari yamai vako apa
itonyarara hako" said tete.
"Mari yababa vangu iyi manzwa, basa
rekusada kuroorwa kuda kudya mari
yababa vangu zimuroyi remunhu
kushata nxaaa" ndakadaro.Ivo
vakasimuka vachida kundirova
ndikatanga kutiza ivo vakanditevera
vakatadza kundibata ndanga
ndahwanda mubedroom mana mama.

*CINDY*
Kushaikwa kwaHilda kwakarwadza
inini namama zvisingaite.Mama
vakanyanya kurwadziwa nezvakaita
dad kupfimba mai Hilda.Mama
vakatombochema vachituka dad
vachiti chii chii chawakayemura pana
mai Hilda chandisina.

"Jane ndoda kumudzingawo"

"Mai Lee I know ndakatadza ndoda


undiregererewo please pakupfimba
mai Hilda ameno chii changa
chandibata"
"Zvandibata bata Freddy
ndaisafungira kuti uchandirwadzisa
kusvika pakadaro"said mama.

"Sorry mkadzi wangu asi ukadzinga


Jane une wabhaiza hona ave pedyo
nekuzvara, Hilda don't worry
ndatotuma vanhu vangu vamutsvage"
vakadaro dad vakabva vatobuda.

Ndakazama number dzaHilda


dzaingoramba.Mhamha vakabva
vamboenda kunogeza vakadzoka
vachiti tiende kumba kwaLee ndipo
pakasvika mai Hilda nemwana wavo
Elena vanga vakafanana
zvisingaite.Uchivaona unoti ndisis
nemunin'ina.

"Mai Hilda mwana wenyu ndaimuda


aitombosvika pano ndichitandara naye
andina kumuvenga ndakazoitwa
zvekunzwa kuti akadzingwa naBa lee
ndakarwadziwa ndakamutsvaga
ndikamushaya" vakadaro mama.

"Mai Lee imimi munoziva andidi


zvekutaurisa asi mwana wangu ari
kundirwadza sei murume wenyu
akavenga mwana wangu kusvika
pakumudzinga usiku pamwe
akatobatwa nemabhinya"
"Aiwa handifunge akabatwa nefunga
kwane kwaari musaora moyo
tichamuona" vakadaro mama.

"Hazvindifadzi mwana wenyu kumitisa


mwana wangu apedza otiza andina
mashoko akawanda ndinoti Mwari ave
nemi" vakadaro mai Hilda.

"Sorry Mai Hilda nekukupindurai,


ndoda muzive kuti Lee haana kutiza
Hilda, akatiza Jane nekuti dad vanga
vari kumumanikidza kumuroora,Lee
akatiza asati akuziva kuti Hilda
akazvitakura, Lee aida Hilda nemoyo
wese aitoronga kumuroora asi dad
vaivhiringa zvinhu I think ma
ndinzwisisa" ndakanyatsa
kuvatsanangurira vakanzwisisa zvavo.

"Asi baba vako vakavenga sisi vangu


nenyaya yekuti vakarambwa namama
vangu chete akuna chimwe" akadaro
Elena.

Mai Hilda nemwana wavo avana kugara


nguva yakareba vakabva vaenda.Mama
vakati tiende kumba kwaLee takasvika
pakazara vana vepagirls high vaitamba
radio vachigocha gocha paita kunga
pane part masofa aLee anga ari panze
chiona zvaive zvakapfekwa nevana
vacho panga pasina hapo
vakomana.Vasikana ava vairatidza kuti
vari kufara ndakatoziva kuti avana
kuenda kuchikoro chete.Vakafunga
kuti tauya kupart ndakaona Jane
akagara zvake pasofa dumbu rake
ranga rakura.Paakationa akavhura ziso
zvekushamisika anga asina kutarisira
kutiona.Jane akati tipinde mumba
manga musina vanhu nekuti panze
panga pane noise.

"Jane ndochii chauri kuita pano "


ndakabvunza.
"Apana tikuita hedu kaparty sezvo iri
Friday ava mafrents angu chete pane
chakaipa here"

"Makadzinga Hilda pano kuti muite


zvamoda manje nhasi wakutobva pano
tora mabag ubve pano" said mai
vangu.

"Lee ndiye ano right yekundidzinga


pano not you, Hilda andisina
ndakamudzinga pano kana achida
kudzoka ngaadzoke tose tongoita
vakadzi vaLee sezvo tiine
nhumbu"akadaro Jane. Pakabva
papinda kamwe kamusikana kepagirls
kakauya kumira pana Jane.

"Party isina boys inobhowa Jane


tafonera boys repa boys high rikusvika
manje manje toita pungwe asi wedzera
mabeer nenyama zvishoma" kakadaro
kamusikana kaya.Ndakatarisana
namama.

"Okay ngavauye asi vanogumira panze


mumba andidi munhi, nyama
nemabeer enda unotora mumota
mangu zvirimo kana kuona Tisha"
akadaro Jane kana kutinyarawo.
Takaedza kutaura naye akati pamba
haabvi zvekumhanya.Takamusiya
akadaro tikabuda tanga takutsvaga
zvedu Hilda tanga takumirira kudzoka
kwLee ndiye anokwanisa kudzinga
Jane.

Thanks nemacomments

_next chapter ndiyo yatichanzwa kuti


Lee aripi mupenyu here_
*WATCH OUT FOR CHAPTER 42*
[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806
*CHAPTER 42*

*#LEEROY#*

Ndanga ndisina kutarisira kuti Jane


achanoudza vabereki vangu
zvenhumbu.Mudhara vakafara vanga
vakutondimanikidza kuroora Jane
sezvavakaita futi pana
Tasha.Ndakatoona kuti best way
kubuda muZim.Ndakadzima foni
ndikanogara kumba kwaWaya for 3
days ndikabva ndaenda England.

Waya ndakamuudza kuti vanhu avafani


kuziva kwandiri.Ndiye aindionera
mamovements aHilda ndaitya
kutorerwa.Waya akazondiudza kuti
Hilda akugara pamba pangu
ndakashaya kuti sei ndakafunga kuti
pamwe vatadza kuwirirana nevabereki
vake vairamba kuti ndimuroora.Papera
mazuva ndakanzwa kuti Jane ndiye
akugara pamba pangu Hilda
achabatike.Jane ndaisada kumuona
pamba pangu ndakanzwa hasha
ndakafunga kudzoka asi
ndakazozvidzora.
Pane maraces andakasvikira achiitwa
ndikakwanawo muteam coach vakafara
nekudzoka kwangu.Kutaura chokwadi
ndaisava muform pfungwa dzanga
dziri kure ndaifunga Hilda.Taita
training but ndanga ndiri low
low.Maraces akaitwa ndikawina
mabronze chete coach avana kufara
neperfomance yangu.Vamwe vakafara
nekupera kwangu kuti vawanawo
mukana nekuti ndaivaremera.Hilda
anenge akandiendera kun'anga chete
nekuti mafungiro andaimuita anga
asina kumira mushe.

Ndakagara madays akawanda


ndikazoenda kuSA ndikasvika
ndichitenga imwe mota yanga
yakanaka apa yaidhura
sei.Ndakaitenga nemari yandakawina
kumaraces chero yanga iri
shoma.Mota iyi ndakaitengera Hilda
kumutenda nekundipa humhandara
hwake.Ndakagadzirisa mapaper acho
ndikahire truck inokura.Ndakaenda
Zim ndikasvika masikati.Ndakaedza
foni yaHilda asi yairamba.Ndakasvikira
pamba paWaya

"Mota iyo kumberi andifunge muno


pane mota yakanaka kudai jealous
down sando" said Waya.
"Aah ndaitengera Hilda ndeye
kumutenda mwana uya ndomuda she
is my everything ,it's my duty
kumufadza andidi agare akasuwa"
ndakadaro.

"Ndazvifarira asi chandoda kukuudza


pamucharoorana usazochinja ramba
une rudo rwako irworwo" said Waya.

Ndakaenda kumba ndikavhura gate


ndikaona pakazara vanhu ndakashaya
chii chaitika.Ndakadzikisa mota
ndikaisa mugarage ndikabva
ndakiya.Truck rakabva ratodzoka
ndikasara ndichinetseka kuti iparty yei
ikuitwa pamba pangu.Ndakanzwa
hasha ndakatanga kutsvaga Jane
ndikamushaya.Ndakanovhura door
ndikaona rakakiiwa.Ndakatora makey
angu ndakuvhura pakabva pasvika
kamwe kamusikana.

"Hey mumba amusi kudiwa


vanhu,handei kune vamwe" kakadaro
kanga kakapfeka uniform.

"Young girl leave me alone haundiudze


zvekuita pamba pangu" ndakadaro.

"Hiiiii Lee is that u ndafara handei


kuseri uko ndimbokuratidza kuti ndiri
heavy machine kupfuura Jane naHilda,
kutaura chokwadi ndokuda ini"
kakadaro kamusikana kaya ndakakapa
mbama kakadonha pasi.Kanoti kuonda
kunga kakamedza waya mungati haisi
mhepo here kupfimbwa nekamunhu
kakadaro.

Ndakapinda mumba ndikaenda


kubedroom ndikasvika Jane ari busy
kufadzana neumwe mufana wechidiki
anga akasviba kunga ndiye anodriver
zuva.Avana kuona kupinda kwangu
vairatidza kuti vari munyika yavo vega
apa vari pabed pangu.Ndakaombera
maoko Jane akaita kunga achafenda
achindiona ndanga ndisingafungire
kuti angadaro.Ndakavatora mapics vari
naked kudaro.

"Lee sorry " said Jane akazvimonera


nesheet.

Ndakati vapfeke andidi zvenoise


nemi.Vakabuda ndikavati vabudise
vanhu vakaenda.Ndakatarisa mari
yangu yandanga ndakaisa pasi
pematress pasina.Ndakavhura
wardrope ndikatarisa panogara mari
yangu ndikaona iripo.Ndakatoziva kuti
mari yaiva pasi pematress ndiyo
yashandiswa.

"Saka Jane unondiona kunga


ndakapusa ka" ndakadaro

"Aiwa Lee sorry hako Stan anenge


akandiisira drug chete"

"Stan I think une imba yako une shuwa


ungashandisa bedroom yangu kuita
matsvina akadaro heee" ndakadaro
ndikamupa chibhakera
mudumbu.Akada kudzorera
ndikamurova zvekuti ndakazopedzera
hasha paari.
"Lee haisi mhosva yangu Jane
musikana wangu kubva kare ndiwe
wakatonditorera"said stan.

"Stan kwana ndiri musikana wako


inini,Lee kunyeperwa hako ari
kurwadziwa nesu uyu" said Jane.

Ndakavatora ndikanovavharira mune


imwe room.Kurara vese kwavaita
hakuna kundirwadza asi chandirwadza
kushandisa bedroom
yangu.Ndakatanga kusatochenesa
Jane panyaya yenhumbu iyi pamwe
haisi yangu.Ndakanorara mune imwe
room ndikanonoka
kumuka.Pandakamuka ndakavhurira
mboko dzangu.Ndakati Stan aende
hake akabva arova pasi.Pamba panga
pakazara tsvina zvisingaite ndaida
Jane apachenese chete.Ndakamuudza
achenese pamba akatanga kuchema
achiti Lee ndinzwirewo tsitsi
ndakabata shamhu aitya
kurohwa.Akatanga kucleana
pachivanze kusvika
pachena.Akacleana mumba futi pasina
kuchena ndaiti dzokorora akaona
hondo neni zuva iri ndakaswera
ndichimushandisa zvekuti ane nhumbu
andina basa nazvo chero ikabva i don't
care.Masheet nemagumbezi
ndakazvibvisa ndikaisa zvinyowani.

"Lee ndane nzara ini"

"Okay wait ndinokutengera


chikafu"ndakadaro ndikabuda
ndikanotenga cabbage ndikadzoka
ndichimupa.

"Lee ndochii ichochi andidi cabbage


ndodya beef irimo mufridge" said
Jane.

"Pano pamba panga pangu bika sadza


necabbage wodya ndochikafu chako
ichocho unowanza dzungu kana
wakaguta regedza kudya kwacho"
ndakadaro.Munhu akatanga kuchema
akanditarisa aifunga ndichamunzwira
tsitsi.

"Lee wakundibata coward apa


wakandirepa ndakunotaura
kumapurisa" akadaro.

"Mhanya watononoka unofunga


ndinotya mapurisa inini" akatora
cabbage riya akanorirasa
ndakanyarara hangu.Akasvika achida
kuvhura fridge akaona
yakalokwa.Ndanga ndangobudisa
mafuti nesalt neupfu chete zvimwe
zvese ndanga ndazvikiyira.Jane
akaenda kunoritora cabbage riya kubin
akaribika akadya anga ane nzara apa
risina domasi.

Ndaisada kumudzinga asi ndaida


kumbomuonesa
nhamo.Ndakamuratidza room rake
ranofana kurara akaedza kuita
mastaera ekuti ndidyire kurara naye
but ndanga ndakatofizuka ndaigaya
Hilda wangu.

"Zvimamin zvauri kupfeka andizvide


pano kana usina hembe
ndonokutengera bhero"

"Asi Lee wakadzoka wachinja chii, asi


wakanditsamwira kuti ndakarara
naStan inga i told u kuti akandiisira
drug mudrink"

"Andina kukubvunza ini, ndanga


ndatokanganwa nhai ndoda mari
yangu yawakashandisa yese wanzwa
pasina izvozvo ndiri kukugura musoro
uyu ooh naMwari" ndakadaro

"iiiih Lee mari ndoiwanepi ndinzwirewo


tsitsi" akadaro akuchema apfugama
pamberi pangu.

"Chero ukadii mari yangu ndikuida


ndakukupa 3 days kuti uitsvage
chimwe chinhu andidi kuona shamwari
dzako pano" ndakadaro ndikabva
ndabuda kuenda kumba kwana
mama.Ndakasvika mhamha
vachibatsira Cindy nezve
Biology.Mhamha vakafara vachindiona
ndakavambundira.Ndakarwadziwa
vachindiudza kuti mudhara vaipfimba
mai Hilda ndosaka vakavenga Hilda
nhai.
"Lee ukuzviziva here Hilda
akazvitakura akadzingwa pamba pako
nababa vako izvozvi haasi kuzivikanwa
kuti ari kupi" vakadaro mai
vangu.Ndakabuda misodzi musikana
wangu akazvitakura zvino aripi
ndomuwana kupi.

"Mkoma Lee hure renyu Jane


rakatidaira rough patakaedza kumisa
party yake pamba paitwa party
musipo" said Cindy. Cindy
akanditsanangurira madzingirwo
akaitwa Hilda nevabereki
vake.Ndakarwadziwa akutambura
nekuda kwangu here.Munhu
wandainyanya kuda kuudza nhamo
dzangu ndigogo.Ndakaudza mama kuti
ndichambosvika kumusha.Jane
ndaizoda kupedzerana naye mirai
muone zvenyu.Ndoda
kumbomushandisa ndozomudzingawo
ari manheru zvavakaita Hilda.

Ndakapinda mumota ndikananga


kumusha pasina nguva ndanga
ndatosvika.Ndakasvika gogo vari busy
kupepeta chibage chavo.Pavakandiona
vakambotsukuta maziso vachifunga
kuti vari kutadza kuona
zvakanaka.Kudzoka kwangu kwakaita
vafare zvisingaite.

"Ndafara waida kusvika uchinzi


ndakafa neBP nekuda kwako une
shuwa Lee" vakadaro gogo.

"Gogo ndanga ndakusuwai"

"Andisi kana kumbofara ini wagona


wauya kundiona ndoda kubvunza kuti
waizvitirei kumitisa Hilda uchiziva kuti
une musikana wako Jane"

"Gogo musikana wangu ndiHilda


kwete Jane, Jane ndakarara naye
ndakadhakwa I love Hilda ini"
"Usazodaro Hilda ari kuno ari
kutambura achitengesa kumusika
nekuda kwako zvawakuita izvi
zvichakupa munyama tanga wafunga
usati waita chinhu" said gogo

"Gogo mati Hilda ari kuno here"

"Ehe pamba pavo apo, ndoda kufa


ndambobatawo vana vako"

Vakasara vega ndamhanya kuenda


kwaHilda.Ndakasvika pasina munhu
ndakati uyu ndotomumirira
chete.Ndakamira kwenguva yakareba
ndikazoon akupinda pagate akatakura
saga.Ndakaona nhumbu yanga
yakuoneka ndakasekerera
ndakamutarisa ndanga ndakahwanda
hangu.Akapinda mumba akabuda
akabata mapoto ake akatanga kudya
sadza nemufushwa.Aidya zvenzara
chikafu chairatidza kuti chikumunakira
aita kunanzva maoko.

*HILDA*

Ndakapererwa ndichiona Lee akamira


pamberi pangu.Ndakamutema nepoto
akaitsvenga ndiye munhu wandanga
ndisingadi kuona chero ndanga
ndamusuwa akandirwadziswa akauya
kundimbundira ndikatanga
kuchema.Akandipukuta misodzi
akanditsvoda takatsvodana
zvekumutsamwira ndakazviisa paside
ndanga ndamusuwa.Akapfugama
akabata dumbu rangu ndokubva
arikisa.

Takagara pasi akataura nyaya yake


matangiro ayakaita kusvika arare
naJane nereason yakaita aende
abroad.Ndakamuregerera hangu
mukomana wangu ndanga ndichiri
kumuda ndaida mwana wangu akure
ari pedyo nababa vake.Ndakabika
sadza netuhove twandanga
ndatengawo kumusika tikadya tese
nadaddy vekamwana kari mudumbu
mangu.

Akafonera gogo vake akavaudza kuti


akurara kuno.Takarara tese pabed
pangu ndikatanga kubatwa batwa
muviri wangu kuzasi kwanga kwatota
kudhara ndanga ndaisuwa.Ndakaitwa
husiku hwese ndichiita hudobi dobi
hwandakadzidziaswa naTasha.Lee aita
kubowa ari pamusoro pangu
ndaimbotwerka irimo imi manheru
ezuva iri akandinakidza
zvisingaite.Ndaisaziva kuti sex inonaka
zvakadai.

"Bbe zvawaita wakazviona kupi"

"Ndakadzidziswa naTasha daddy asi


hamuna kuzvifarira"

"Hooo ndazvifarira nhasi ndanakirwa


zvandisati ndamboita muhupenyu
hwangu you are so sweet my love"
said daddy Lee.

Takanonoka kurara tichitaura nyaya


ndaiona Lee aifarira nhumbu yangu
zvisingaite.Makuseni takamukira kuita
futi mutambo wevakuru tikanogeza
tese.Tapedza takanwa tea
nembambaira tikaenda kumba
kwagogo.Gogo vakafara vachitiona tiri
tese takapinda mumba.Ndakatota foni
yaLee ndikatanga kuona mapics
ndikaona aJane akarara neumwe
mkomana vari pabed
paLee.Ndakavhura mavideo aLee
manyowani ndikaona akaita ma# 3 ese
anga adzikira mukomana wangu
zvakandirwadza ndanga ndajaira
kumuona achiwina ini.
"Zvinofadza izvi vazukuru Lee ndoda
usazochinja ramba uchida Hilda
,newewo Hilda ugutsikane nemurume
wako usateerera zvotaura vanhu pakati
penyu zvoparadza rudo rwenyu" said
gogo

"Ndiri kupanzwa gogo ndikuda


kunobvisira kupera kweweek rino,Jane
ndichaona zvekuita naye"

"Jane iyeye muchenjere achagona


kukupfuhwira ukaramba Hilda"said
Sekuru.
"Advice yangu ndinoti Jane mira
kumudzinga kusvika azvara, asi please
iwe newe Hilda musadya zvobika Jane
,Hilda ndoda usamupopotera ingosvika
wanyarara chete iye akakutuka sei
nyarara chete chitema
hachidzorwi"said gogo.

Takavatenda nemashoko
avo.Takaenda kumba kwangu ndikaisa
mabag mumota.Chikafu ndakapa
Tasha chese neimwe
mari.Ndakamuvimbisa kuti ndaizouya
kumutora kana basa raita
akanditenda.Takapinda muroad
tikaenda kutown.
"Lee wakazviona sei kuti Jane
aikucheater"Lee akatsanangura
maonero akazviita Jane aitova hure
zveshuwa.

"Lee wakaita number 3 aaah sei inga


waitrena everyday wani"

"Ndaisava muform pfungwa dzaiva


kure ndaikufunga Hilda don't worry
next time pandikunomhanya tinoenda
tese i promise kuwina"

"Thanks daddy ko ndakanzwa paradio


kuti pane marace ari kuitwa kuHarere
munational sport mukuenda here"

"Ehe ndoda kuenda newe inext month"

"Yeeeeeeeee really" ndakadaro


ndichiita noise kuri kufara Lee
akangoseka hake.

Takasvika Jane ari busy kuda


kugwejenura door repabedroom
paLee.Akarohwa mbama naLee iye
Jane akati ndikuda chikafu
chawakaviga ini.
"Ndipe mari yangu wava nayo here"
said Lee.

"Lee usandidaro inga ndakatakura


mwana wako unoda ndirarame
necabbage chete here" said Jane.

Ndakabva ndapinda mubedroom


ndikarara ndakatarisa
mudenga.Ndakaona Lee auya
pamusoro pangu.Takaita zvoitwa
nemurume nemukadzi tikanogeza
tese.Takabuda panze tikatanga
kudiridza maruva takagumisira
takudirana mvura tichimhanyisana
zvainakidza ndakava nezuva rakanaka.

Ndaiona Jane akadongerera pawindow


misodzi iri pamatama.Ndoshaya chii
chaanochema ariye aida kunditorera
mkomana wangu.Takapinda mumba
Lee akabuditsa chikafu ndikabika
ndikapakura tikadya chaJane
ndakachisiya mupoto.Lee akatora poto
yenyama akairasa akati muriwo
waJane icabbage kusvika adzosa mari
yangu ndakada kumbonzwa tsitsi asi
ndakasiyana nazvo.Jane anga akugara
achitukwa naLee nyaya yemari
yainetsa iyi.Jane akazogumisira aenda
kunoudza bavaLee.Baba VaLee
vakauya pamba pedu naLee vakatanga
kupopota vachituka Leeroy.

"Iwe mudhara zvekuti uri baba vangu


ndozvikanganwa ndakupaza pano
pamba pangu haundiudze zvekuita
wakadzinga mkadzi wangu
ndikakunyararira zviedze uone unofira
mumaoko angu" akadaro Lee anga
atsamwa.

"Lee usadaro remember he is still your


father taurawo navo zvakanaka"
ndakadaro

"Lee unofunga ukaita mari


wakundidaira here ndoda kuzviona
izvozvo" vakadaro baba vacho
vaidenhawo.Vakaenda pana Lee
vakamupa mbama ndikavabata kuti
vasadaro ndikapihwavo mbama ndipo
pandakaona kuti Lee ane
hasha.Zvakazoitwa baba vaLee
zvonzwisa tsitsi nemwana wavo.

_Sei baba Lee vachingosapota Jane


chimbotaurai mafungiro enyu_

Very soon rakupera book redu


_thanks nemacomments_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 43*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587
*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 43*

*#LEEROY#*

Zvevanhu vanoda kundiendera mberi


semhino ndombozvida
here.Ndakamupusha akadonha pasi
mudhara ndikamubata ndikamudhonza
kunomusiya kunze
kwegate.Ndakavanyara kuti ndibaba
dai zvisirizvo ndakapesanisa shaya.

"Mudhara muchakurawo rino hee


zvobhowa zvamunoita otherwise
ndakunyarai ndingadai
ndakukwapaidzai'

"Une shuwa Lee nezvawaita


ungandibata rough nekuda kwaHilda
akoshei hee ndanga ndichida kuti
vabate zvakanaka vese vakadzi vako
ndiwe wakavamitisa"
Ndakabva ndavhara gate
haangandiudze kuti ndivabate
zvakafanana.Hilda ndiye wandoda not
Jane pamwe nhumbu yaanayo haisi
yangu.Ndakapinda mumba ndine
hasha ndaida kumutumbura kamimba
ikako Jane ane dzungu.Uchimuona
unoti munhu kwaye kuzonyepera
kunyararisa kwaaniko apana
zvemunhu.Hilda akazondibata akaenda
neni mubedroom.

"Daddy munhu ane nhumbu haarohwi


siyana naye" said Hilda.
"Hilda handichatonzwisise pamwe
Jane ari kurara nababa vangu sei
vangori side rake pese
zvakundibhowa"

"Remember ndizvo zvavaingoita pana


Tasha iyi mweya yetsvina iri kuda kuti
tisaroorana chete,tadzikira mazuvano
pakunamata baba vako vanoda
kunamatirwa nguva ichiripo" said
Hilda.

"Hilda ndonamata everyday ini


pandorara"
"Paunorara chete ko pamwe pese apa
ko church uri kuenda here"

"Okay Hilda ndanzwa" ndakadaro Hilda


akatora bible rake.

"Matthew 21 vs 22 inoti chese


chamuchakumbira mumunyengetero
muchachiwana kana muchitenda, Lee
ndoda kuti tinamate tichitenda Mwari
nechipo chehupenyu vanhu
vakawanda vaitoshuwira patiri iko
zvino asi zvakaramba, ndoda tizarure
moyo wedu don't forget kunamatira
future yedu satan ari pabasa miedzo
yatasangana nayo yakawanda Lee
pamwe pacho Mwari vari kutirwira
hakusi kugona kwedu ngatimutendei"
akadaro Hilda ndakatadza kuziva kuti
ndiye Hilda wangu ari kutaura
izvi.Ndakaona anga ari serious
akatanga kunamata ndakasekerera kuti
apa ndakazviwanira
mkadzi.Takanamata musi uyu
patakapedza ndakanzwa zviri
nani.Ndakafara nekamuitiro kaHilda
vashoma vakadzi vanokuridzira
murume kuda Mwari.Ndakamukandira
kabox.

"Aaah daddy mukunditemerei" said


Hilda kavoice kake ameno
zvakangoindiita so.Pandonzi daddy
ndonzwa manyuku nyuku kuti ndini
here Lee ndikunzwaro.

"Mai Maviza andina kukutema vhura


uone iparcel yako yandakakutengera"
akatanga kuvhura akaona mune makey
akanditarisa achida
mhinduro.Ndakamusimudza tikaenda
kugarage ndikati vhara
maziso.Ndakavhura garage ndikati
chivhura mwana akasticka akatarisa
mota yaive pamberi pake.Akabuda
misodzi yemufaro aitadza kuzvitenda
kuti ndeyake.
"Ndeyangu here daddy"

"Ehe ndeyako bbe kukutenda


nekundipa humhandara hwako"

Akandijambira nemufaro tikatanga


kukisana zvedu.Takapinda mumota
ndikamupa mapaper acho akazotenda
kuti ndeyake.Takaenda nayo kuground
kwandakaswera ndichimudzidzisa aiva
munhu anokurumidza kubata
zvake.Licence ndichazomutoresa kana
azvara .
"Thanks daddy ndikunzwa kufara
ndoshaya kuti ndokutendai nei just
know kuti you are my everything" said
Hilda.

"Bbe zvishoma izvi ndichakuitira


zvihombe zvakapfuura izvi "

"Really that's my husband"

"Ummm kamwana kedu kari kukura dai


kakaita kamukomana kofanana neni"
ndakadaro ndichibata dumbu raHilda.
"Manje kamusikana, andidi
kamukomana kuti kazondinetsa
kazoita misikanzwa yadad vako aaah"

"Andina misikanzwa Hilda,ndikunzwa


kufara very soon i will be a father"
ndakadaro.

"Ehe nekabbe kedu kamusikana


kakafanana neni futi" akadaro
Hilda.Ndakaona aida mwana aita
musikana afanane
naye.Ndakamupikisa ndikaona munhu
atotsamwa ndakazoti ehe ngaite
musikana ndikaona
dzakunyemwerera.Vakadzi vane
nhumbu so ka.

Takasvika kumba Jane aine brother


yake Jerry aiva busy kudya chikafu
changa chauya nebro yake.Brother
yake yakatanga kundipopotera
ndakaramba ndiri ziii zvevanhu
vanopopota vari pamba pangu
ndozvandisingadi.

"Kana waiziva kuti haude hanzvadzi


yangu waimumitisirei heee,une shuwa
kurarisa mwana wamai vangu nenzara
uchimudyisa cabbage"
"Ndakamumitisa ndichida here blaz,
chimbomubvunzai sei ega ari kudya
cabbage"

"Andinei nazvo zvese zvauri kutaura


ndikuzviziva wakaita zvekumurepa
ndoda kukusungisa"

"Ndisingusise wakamirirei kana usina


nyaya gate out" ndakadaro.Chero
akaenda kumapurisa handisungwa
nezvinhu zvisina evidence
mukati.Jerry akabuda akaita kufuta
nehasha, Jane akanozvivharira
muroom make.
Ndakapinda mukitchen ndikatanga
kubika sadza negoat meat
netumaverge paside.Ndakapedza
ndikaendesera madam patable.

"Hilda ndini ndabika ngatidye


wakamirirei"

"Handide ini"

"Saka ukudei bbe"


"Ndoda sadza nederere izvi zvoshata"
said Hilda akutochema ndoshaya
nechaichemerwa apa.

"Hilda saka uri kuchemei"

"Waramba kunditsvagira derere


randikuda"

"Handina kuramba iko zvino kwasviba


akuna kwatinoriwana ndozotsvaga
mangwana" ndakadaro munhu
akatowedzera kuchema.Ndakaona kuti
uku kwanga kwakuda kungondinetsa
chete.
"Une hutsinye Lee wakadii kupihwa
nagogo manje ndodyei"

"Ndaizviziva kuti unoda derere here


nhai wakadiii kutaura ndingafembera
here"

"Rega ndirare hangu nenzara yangu


waramba kunditsvagira derere"
akadaro akusimuka
ndakamubata.Ndikamutarisa
mumaziso chaimo ndikapukuta
misodzi.Sadza akariramba akazodya
mapotatoes chete anga atotanga
kunetsa.Mubedroom ndimo manga
mune yese manje ndakasvika nekurara
ndanga ndakafizuka nekunetswa
kwandaitwa naHilda.

"Aah Lee wakutorara une shuwa"

"Asi nhasi chimbori chiii chaizvo Hilda


inga ndakubikira mapotatoes ukadya
ndati derere ndotsvaga mangwana"

"Ndazvinzwa daddy ndikuti wakutorara


usina kundipa zviya zviya here"
akadaro Hilda akamir paside pebed
akaita kubata muchiuno.
"Zviya zviya zvipi hazvina zita here"
ndakadaro zvaida ndaizviziva hangu.

"Aah daddy ndonyara ini"

Ndakasimuka ndikamukisa zvenzara


ndikabva ndasimbisa mwana
wedu.Takabva tarara zvedu mangwana
ndakamuka ndikasiya hilda akarara
regai dzivate dzakaneta zuro
ndakadzipa size yadzo.Jane
aitononoka kumuka ndizvo zvaari
ameno anenge akaneta nei kuti
anorara nezvipoko manheru ameno.
Cindy akabva asvikawo makuseni
achifara.

"Bro aripi makoti wangu"

"Shiiiii usataurisa dzinomuka


ndikanetswa,nezuro ndakaona nhamo
Cindy hanzi ndoda derere manheru
kwanga kwasviba ndairiwanepi munhu
akatanga kuchema" ndakadaro.

"Asi bro amuzvizive kuti ndozvoita


munhu ane nhumbu here imwe
inogona kunetsa"

"Aaah akadiii kutanga kunetsa


paakandiona nhai manje kutanga
nezuro anenge ari kuzviitisa uyu"

"Lee haasi kuzviitisa unofana kuita


zvaanotoda panguva yacho"said
Cindy.

"Ko mama vari sei mufana"

"Vari bhoo zvavo asi dad mazuvano


avasi kurara pamba ameno vari
kugarepi"

"Hoooo asi mudhara uya so ka kuti


ndivo baba vedu vaya here"

"Saka ukuti mhamha vakahura here


nhai Lee ,chero vari benzi he is still our
father" akadaro Cindy.

Takagara zvedu pasofa tichitaura


nyaya nemwana wamai vangu.Hilda
dzakamuka dzikaenda kunogeza
dzikauya kudinnig akafara achiona
Cindy.Hilda ndaimufarira ang a ari
smart zvake mvura yainyatsa kutamba
pamuviri pake.Manje ari saJane aisada
zvekugeza ndaishaya kuti inhumbu
yaimudaro here.

"Makoti wangu ndanga ndakusuwa


ummm"

"Hamuna kundisuwa tete amuna kana


kumbonditsvagawo
ndakutsamwira"said Hilda dzikabva
dzafutisa matama.Ndakabvaruka
nekuseka anga akuita zvondinakidza.

"Tete muri kumuona Lee wenyu ndizvo


zvaanoita anondiseka ameno
ndakashata zvakaita sei"

"Ndichamurova makoti azvizive kuti


mkadzi haasekwi"

"Tete nezuro ndakarara nenzara Lee


akaramba kunditsvagira derere ndoda
kuudza mama mavasiireyi" akadaro
Hilda akanditarisa achipindurudza
zvimaziso zvake.

Ndakabuda ndikavasiya vachitaura


nyaya vachireya.Ndakanogara panze
ndaitogaya kutonobvisira Hilda manje
zvandisiri kuwirirana namudhara
ndichaita sei.Asi sekuru ndivo
vachandimirira sababa ameno kana
zvichiita ndichazonzwa
navo.Zvekuroora ndaisaziva mitemo
yacho zvotoda kunzwa ndivo
vakuru.Ndakazodaidzwa mumba for
breakfast.Jane anga aripowo anga ari
ziii.Cindy naHilda ndizvo
zvaingonzwika kutaura matauriro
avaita ndeekusvotesa Jane chete.

"Tete ndakatengerwa mota nadaddy


Lee yeeeeeeeeeee yeeeeee" akadaro
Hilda akasimuka patable akatanga
kusreama apa noise yaita so kunga
mwana mudiki.Kana zvirozvo zvinoitwa
nevakadzi vane nhumbu inga
zvakaoma.

"Hilda amana noise asi watanga kuita


mota nhasi"akadaro Jane.

"Hololololo rarwadziwa manje yangu


yakanaka kupfuura yako iya
yawakapihwan naLee" said Hilda.

"Mota yacho iripi ndinoiwanawo" said


Cindy.Vakabuda vakaenda kugarage
kunoona mota ndainzwa noise
kunze.Jane akatarisa nepawindow
ndakaona akarwadziwa.
"Lee watengera Hilda mota yanaka
kupfuura yangu sei ndoidawo
yakadaro"

"Jane wakandibhowa pakurara naStan


pabed pangu zvekuti izvozvi andisi
sure kuti nhumbu yaunayo ndeyangu
dai zvisirizvo ndakutengerawo yako"
ndakadaro.

"Lee kutaura chokwadi nhumbu


ndeyako pandozvara wozoita maDNa
test uzvionere wega ,nhasi
womborarawo kuroom kwangu please
wongondipawo chero round rimwe
zvaro ndakuvara ini"

"Hazviite izvozvo munhu wandorara


naye ndiHilda chete ndapedza newe"
ndakasimuka ndikabuda panze
ndikaona Cindy naHilda vari kuzvitora
maselfie vari pamota.Hilda akadaidzira
kuti Lee tsvaga derere rangu nguva
ichiripo pasina izvozvo nhasi
hapararwi pano.

*HILDA*
Pakauya Cindy ndakafara ndanga
ndamusuwa zvisingaite.Takabuda
panze ndikamuratidza mota tikatanga
kufara ndaida Jane asvotwe chete.

"Mota iyi kumberi makoti apa


akakugonerai Lee"

"Ehe yakanaka kutopfuura yaJane


nekure ndikufara"

Lee akabuda ndikamudaidzira atsvage


derere akangoseka aifunga
ndikutamba ndaiva
serious.Takatandara natete vangu
kwenguva yakareba akazoenda achiti
ari kunoona Petso akaudza inini chete
izvozvo kwete Lee.Pakabva pasvika
mapurisa maviri aina Jerry.Jane anga
ari patable achidya haana kuona
kusvika kwemapurisa nebro yake.

"Officer ndiye ari kudyisa Jane


macabbage nezvinhu zvoshata iye
achidya zvonaka nekamukadzi kake
aka" said Jerry.

"Jerry usaita kunga unofunga


nekumagaro dzungu munoriwanzwa
mkoma police pindai mumba muone
kuti Jane ari kudya chiii kana uyu
achiti tikumudyisa zvoshata"
ndakadaro ndakaona kuti ukazonyanya
kunyarara unonzi wakapusa pane
panods kungotaurwavo.Vakapinda
vakaona Jane akazvizadzira mazai
nechingwa achidya zvemberi.Brother
vake vakanyara vachiona izvi.

"Musungei Lee akarepa hanzvadzi


yangu"

"Is that true wakarepwa naLee" said


umwe mupurisa wechikadzi.
"Yes akandirepa pano
ndikutambudzwa ndinhasi chete
wandatopihwa chikafu ichi"

"Officer kunyeperwa kuti ndopenga


here ndikarepa munhu akadai
ndichisiya mkadzi wangu akanaka
kudai" ndakabva ndanyemwerera
ndizvo zvandaida kunzwa kuti
ndakanaka.

"Iyazve zvaari musikana wekurepwa


naClever musatipedzera nguva yedu
nezvinhu zvisina basa vana imi"
akadaro mupurisa wechirume vakabva
vatobuda kuenda.Jerry akasara
akasvava ndakamuratidza mapics
aJane akarara naStan.

"Sorry hako ndaisaziva kuti hanzvadzi


yangu ndobenzi, Jane andidi kuona
gumbo rako kumba ukarambwa pano
ameno uchaendepi kahure unonyepera
kuita munhu kwaye uri hure nxaa"
akadaro Jerry akarova pasi.

Jane akafinyamisa kumeso akapinda


mumba make.Akasiya asina
kurongedza mandiro apa ndiye
agumisira kudya
zvakandibhowa.Ndakarongedza
nekumageza asi ndanga ndafizuka
hangu Lee akatozviona.

"Hilda wakatsamwei"

"Nhai hako Lee zvandibhowa Jane


ndiye agumisira kudya atadza kana
kurongedzawo zvake here"

"Usatsamwe next time paunapakura


usapakura chake unosiya mupoto
imomo usatsamwe very soon anenge
abva pano"

"Okay daddy"
Lee akatenga derere riya ndikabika
ndikadya apa Jane aisema.Jane anga
ava pedyo nekuzvara.Mazuva aya
tanga tisingachasiyane naLee pese
paari ndipo pandiri andina kumira
kumunetsa ndaingofarira kumunetsa
nekumudenha hangu.Foni yake
yaitogara neni nguva zhinji.

Masports aida kuitwa kunational


sports akachinjwa akuitirwa
muSakubva Stadium ndakafara kuti
atleast pahome tinenge tiripo.Lee
akatanga mutraina nesimba mazuva
aya bonde anga ambomira apa
ndairida sei.Aimhanya muswimming
pool muzere mvura achikwidza gomo
futi.Pamwe pacho aigona kumhanya
mukwidzwa akazvisungirira saga
rinorema.Rimwe zuva tichibva
kuground takasangana
naElena.Akafara achindiona mwana
wamai vangu apa ndanga
ndamusuwa.Kaikura shuwa kunga kari
kudirwa fertiliser.

"Sis ndafara ndakuonai"

"Kana neni uri kukura manje manje


ndinenge ndatova nabamunini ka"
ndakadaro ndaida kumunzwa ndaiziva
kuti haite izvozvo.

"Sis inini andiite zvevakomana


ndotuka zvisingaite vakomana vemuno
vanototi ndakazara mugomo
wedzungu"

"Good girl zviri nani kunzi une dzungu


uchiziva zvauri kuita andidi uite
zvandakaita wanzwa" ndakadaro Lee
akanditarisa nerimwe ziso raive
nechirevo chete.Takaenda kumba naye
Lee akaenda kunogeza sezvo anga
adikitira kutraining.
"Ko asi muri pabarika kani Jane achiri
kuitei pano"

"Aiwa Elena akangozvara orova pasi


kana ari mwana waLee ndichati
amutsvagire pekugara" ndakadaro.

"Yaa munenge magona, mandichinjira


sis mukusimba wena nekutsvuka futi"

"Pamwe ndozvoita nhumbu"


"Saka ndoidawo ndobva ndanaka
sezvamaita"

"Elena unenge unotopenga chete


iwewe ahaa"

"Ndikutamba kani ,tete venyu


vaoneswa nhamo naTarie avasi kurara
manheru" akadaro Elena.

Takabuda ndikatanga kumuperekedza


kwanga kwadoka.Ndakamuudza kuti
afarise mhamha ndichazovaona hangu
kuchurch Sunday.
Ndakaenda kumba ndikasvika Jane ari
busy kubika ndakamusiya
akadaro.Akabika akapedza akaseta
table.Tese takagara patable tikanamata
kuti tidye asi ini hana yangu
yairova.Lee asati adya akatanga
kubvunza kuti zvabikwa nani first.

Thanks nemacomments
*WATCH OUT FOR CHAPTER 44*
[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 44*
*#HILDA#*

"Hilda ndiani abika chikafu ichi"said


Lee akanditarisa ini ndanga
ndakamirira kuti abika azvipindurire
ega muromo anawo.

"Lee idya wakanyarara inga ndabika


zvakanaka wani"said Jane.

"Oooh shit wafunga kundipfuhwira


manje hazvishandi, Hilda rasa chikafu
ichi unobika chinyowani now"akadaro
Lee akarova serious.

"Amana ndabika nemoyo wese idyai


kani I know mukufungira kuti ndaisa
mushonga ndingauwanepi ndichiswera
pano" said Jane.

"Chero kuisa kana kusaisa mushonga


ndodya chikafu chabikwa naHilda
chete" said Lee achirova table zvekuti
ndakavhunduka.Ndakatora maplates
aya ndikarasa chikafu chacho
mubin.Ndikatanga kubika chinyowani
Lee akauya tikabatsirana asi anga ari
ziii.Akazogara pachair ari pafoni pake
ndakaibvuta.

"Hilda ndipe foni kani"

"Andidi ndoda kuona uri kutaura nani"


ndakatarisa ndikaona aitaura naWaya
namoms vake.Ndakamudzosera foni
yake akaseka zvake.

"Asi dai waona ndichitaura


nemusikana waiita sei"

"Ndairovera pasi foni yacho


ndokutsanyisa mubedroom fut"

Ndakapedza kubika tikadya zvedu


mundiro imwe chete.Takaenda
kunorara ndainzwa kuda kuiswa asi
Lee airamba hanzi tozoita after
maraces.Ndakaenda pamusoro pake
ndikatanga kuibata ndichiitambisa
yanga yatomira, ndikaipfekera
mucookie mangu.Ndakazoitwa kusvika
ndarara zvangu ndanga ndaguta nayo
vana Jane vakati wawa.

Ndakamuka Lee asipo anga aenda


kunojoga.Akadzoka akaenda kunogeza
achibva auya pandiri achinhuwira
kamwe kasmell kandaifarira so.

"Wandisiirei ndini ndisingadi kujogawo


here"

"Inga unoti haudi zvekujoga wani plus


une nhumbu "

"Nhumbu yakwana papi Lee


ndakutsamwira ini"

"Hilda usanditsamwira ndaida


unyatsorara pasina kukukanganisa
saka unodei kuti usanditsamwira"

"Ndoda mangoe daddy" ndakadaro.

"Haisi nguva yemangoe ino


hadziwanike"

"Aaah ndidzo dzandiri kuda ini tsvagai


kwadzinoeka"ndakadaro ndakubudisa
misodzi.Ndakaona Jane akamira
padoor akatitarisa neziso rizere
ruvenge negodo chairo.Lee aipukuta
misodzi yangu ndikatanga
kumukisa.Akanditakura tikaenda
pasofa akauya pakati pemakumbo
angu tichikisana achimbokisa dumbu
rangu.Ndakatarisa Jane ndikaona
akabata dumbu rake achiyeredza
misodzi manje haasati atanga ndaida
Lee andiite akatarisa anyatsosvotwa
aone apana chake.Lee akaramba
achindibata ndakaona Jane auya
kubata Lee kumimisa.

"Lee it's not fair tese tiri vakadzi vako


tine nhumbu dzaku unofana kutida
zvakafanana zvaunoiitira Hilda unoti
andizvidiwo here" akadaro akatarisa
Lee.

"Life is not fair Jane zvaunotaurisa kuti


zviitike hazvisizvo zvinoitika ,don't
blame me andikwanise kukudai
zvakafanana nekuti kwandabva
naHilda kure inga wakauya kwandiri
uchingoziva kuti ndine musikana
wani"said Lee akauya pamusoro
pangu akatanga kundikisa futi.

"Lee saka ukuedza kuti chii ndiwe


wakarara neni zvechisimba
wakadhakwa waida ndidiii ndoda
pandopona mwana woita maDNA
unyatsonzwisisa kuti inhumbu yako I
know ukufunga kuti ndeya Stan" said
Jane.
"MaDNA ndoita asi mwana akaita
wangu ndokutsvagira kwako
kwekugara pano handikwanise kugara
newe" akadaro Lee.

"Unopenga unoda mwana wangu


akure achigara ari kure nababa vake
hakuna izvozvo ndizvo zvandikuda
kuona mungatondiuraya pano
handibve ndofira pano" akadaro Jane
akaenda kuroom kwake.Akatevera
naLee akabatwa padoor akabatwa hure
naLee zvekuti ndakaona Jane anga
akutadza kufema zvakanaka.

"Iwe hure hautaure zvaunoda pamba


pangu ndamboti kwaunenge uchigara
handiuye kuona mwana wacho here
unofira mumaoko angu wanzwa"
akadaro Lee ndakamubata akasiya
Jane akaita zvekudonha pasi akatanga
kuchema.Lee anga atotsamwa
akabuda ndikamutevera takaenda
kunogara kupark.

"Lee upote uchidzora hasha hako Jane


siyana naye achabva hake" ndakadaro.

"My love Jane ameno kuti chii


anondibhowa zvisingaite ndikafunga
pandakaona akarara naStan pabed
pangu ndonzwa hasha "
"I know zvorwadza daddy siyanai
nazvo"ndakatora ruoko rwake
ndikamubatisa padumbu pangu.Lee
akabva anyarara akaramba
akanditarisa kwenguva yakareba.

"Hilda u are so beautiful apa


ndakazvibatira"

"Thanks daddy kana imi


makandinakira"

"Apa unonaka sei aah"


"Aaah daddy"

"Honai dziri kunyara futi"

"Uchitaura zvinyadzi here"

"Zvinyadzi zvipi zvandataura mai


Maviza"

"Ngaipere nyaya yacho, can I ask you


something" ndakadaro.
"Ask"

"Ko une mabusiness here anokupa


mari"

"Ah handina sei wadaro mari yangu


inobva kumasports remember ndine
club iri kuEngland neiri kuBuluwayo
saka ndobhadharwa paweek rega rega
nekupera kwedzi worse ndikabva
kumhanya ndopihwa ipapo ipapo" said
Lee.

"Lee uri too based nemasports


zvakanaka izvi asi tomboti wakuvata
zvokutadza kumhanya unodiii point
yangu iri pakuti dai watanga kuvhura
mabusiness ako nguva ichiripo"
ndakadaro ,Lee akabva andimbundira
akanditenda nemashoko aya.

Lee akati aida kutanga kutenga


chigayo uchiisa kumusha zvimwe
aizozviita after muchato wedu.Sunday
yakasvika tikaenda kuchurch mama
vangu ndivo vanga vari MC.Jane
akaramba kuenda kuchurch asi Lee
akasiya akiya gate kuti
asabuda.Pakapera service ndakataura
namama kwenguva diki ndikaenda
kumba tichitaura nyaya Lee anga asara
nemabrother ekuchurch.

"Ko dad varipi sei vasina kuuya


kuchurch"

"Vaenda kubasa kwaita emergence"

"Okay vari sei tete vedu"

"Haaa hadzichagari paden ameno dziri


kugarepi"

"Hindava asi makavadzinga"


"Aiwa havana kudzingwa vakangonzi
nadad andifarire kamupfekero kenyu
ivo vakatsamwa vanopfeka mamini"

"Inga zvakaoma sei vasingakure nhai


haaa tina tete benzi shuwa"

"Tina tete mupengo vakatotora hembe


dzavo vakasiya vatuka dad namama
vachiti varoyi vevanhu pane nguva ya
muchanditsvaga ndinenge
ndisingachabatike"

"Tinoda kuvatsaga kuti vanei


chinoshamisira"

"Mira muone dzichadzoka dzarohwa


nenhamo chete"said Elena.

"Iiih zvakaoma mangwana kune


masports bamukuru vako vanenge
vachimhanya" ndakadaro.

"Hiii ndinoda kutiza kuchikoro


ndinoona masports aya" akadaro
Elena.Takasvika tikapinda tikagara
zvedu tichitaura nyaya nemwana
wamai vangu.Akazoenda hake
kwatosviba.Lee anga asati adzoka apa
ndini ndanga ndine foni yake
ndakashay kuti aripi.Akazouya
ndapedza kudya ndanga ndakaita
kufuta nehasha.Akati anga aenda
kunoona team yake yemanicaland
ndikavhura foni ndikatarisa mugroup
ravo rakanzi team manicaland
ndikaona mapics aLee achitraina
nevamwe.Ndiko kunzwisisa
kwandakaita dai pasina izvozvo zuva
iri paisararwa.

Zuva remasports rakasvika stadium


ranga rakazara zvekuti musi uyu
kwanga kwakanyanya.Isu
takatengerwa maticket ekumaVIP
ndiko kwatanga tiri namai Lee.Cindy
naElena vakabudikirawo vanga vatiza
kuchikoro chiona Cindy anga ari
prefect asi atiza kuchikoro.Pasina
nguva ndakaona dad namama vangu
vachipindawo vakanogara nechekuzasi
avana kundiona zvavo.Mudhara waLee
aisavapo ameno anga aripi.

Masports akatanga vema8 ne12rounds


vakatanga kuwina.Vanhu
vamanicaland vanga vakashata team
repaBuhura rairova marounds zvisina
kumira mushe.Marace ana Lee
akatanga 100m ndakaona Lee achiita
warm up anga akapfeka verse rakanzi
Team Zimbabwe.Mazita e100m
akadaidzirwa ndakaona vanhu
vekuBulawayo vakudaidzira *Hendry
Hendry Hendry Hendry* ndakatarisa
tikanzwa comenteta achiti Hendry
akaenda kunokwikwidza kumaAll
Africa Games akaita number 2
akapotsa nepadiki kubreaker record
yaLee.Ana Lee vakaenda paLine ini
hana yangu yairova ndaimutyira
murume wangu.Hana yairova kunga
ndini ndiri kuda kumhanya.

Pfuti yakaridzwa vakomana


vakasimuka vari speed asi ameno
zvakaita Lee akasara paLine akazoita
kutevera.Hendry anga ari number 1
wangu murume ari kulast.Lee
akakwanisa kudzora akaita number
3.Ndakaona akarwadziwa vanhu
vekuBulawayo vakafara kuti shasha
yavo yawina.Team Manicaland yanga
iri ziii.Comenteta akabiga Hendry achiti
wakaipa mufana wasiya the best young
athlete.

"Hendry haasiye Lee uyo"said Elena

"Taura hako mkoma vangu vanonoka


kusimuka" said Cindy.

"Taura hako wazviona here anga


akudzora zvisingaite" akadaro Elena
achiratidzana naCindy video ravanga
vatora.
"Asi mwana wangu adzikira chii, ko
aitrena here uyu" said mai
Lee.Ndakaramba ndakanyarara hangu
Elena naCindy ndivo vakapindura.Lee
akauya kwatanga tiri akauya kugara
paside pangu.Akabata dumbu rangu
ndokubva andikisa.

"I know wakatsamwa kuti sei ndisina


kuwina andina kunzwisisa kamuridziro
kavaita pfuti vakurumidza that's
ndasara paline" said Lee.

"Andina kutsamwa daddy asi


ndakukutyirai ini"

"My love I promise i will win this race


for you" said Lee.Akasimuka
akambotaura naelena akabva aenda
muground kunoita warm up 200m
yanga yava pedyo.

"Mr Lee masiiwa munoti kudii manga


makagadzirira here" akadaro reporter
akabata mike.

"For me,I'm focused on what i want to


do.I know what I need to do to be a
champion so i'm working on it"
akadaro akabva aita hake warm up
yake.Mareporter vakaenda kuna
Hendry vakamubvunzawo akati ari
kufara achizviti ndiye ava shasha
yeZim.

200m yakadaidzirwa vana Lee


vakaenda paline.Pfuti yakaridzwa Lee
akatanga akatosiya vanhu yohwe gap
raakazovhura nderemunhu ane hasha
chete.Vanhu vemanicaland vakafara
zvisingaite vaye vemaBulawayo vanga
vari zii.Marelay akaitwa futi team yaLee
yaibva yakasara chimuti
chikangopihwa Lee aimhanya kusiya
vanhu kunga akabairwa
pamagetsi.Ndakaona vanhu vaimhanya
navo vaiva vazukuru kuna lee panyaya
dzekumhanya.Lee akapihwa mamedals
ake akauya kwandiri
ndakamumbundira
nemufaro.Akandipfekedza regold
ranga awina pa200m.

*CINDY*

"Ko dad vambori kupi vane week


vasipo" ndakadaro.
"Anditoziviwo nditori worried havasi
kudaira macalls angu" vakadaro
mama.

"Asi zvavanoita hazvisi fair vachinja


zvisingaite"

Ndaitotaura namai vangu tichibva


kuona masports.Ndakasiya mama
pamba ndikaenda kunoona mudiwa
wangu.Ndakasvika ari busy kugadzira
imwe mota.Ndakamumirira paakapedza
takanogara mumota mangu tikatanga
kutaura nyaya.
"Ndazobatika ndaida kuuya kuonawo
masports,ndiani awina" said Petso.

"Obvious my brother"

"Yaaa uyo munhu weinternational he is


the best of the best"

"Patson promise kuti hauzondirasise"

"Zvauya sei izvozvo,Cindy kuti


ndopenga here kurasisa
tsvarakadenga yakaita sewe"
"Uchitadza nei waona musikana
akanaka kupfuura ini"

"Cindy trust me handidaro ndiwe


zvese zvangu".

"Thanks sweetheart usazopa vanhu


zvinhu zvangu handidi kushare
nevamwe"ndakadaro ndakavhara
maziso ndichinyara.

"Zvinhu zvacho unozvidadira ameno


hake zvichatorwa"
"Aaah ndouraya munhu ini, aaah
ndichiri mwana inga ndakati tozoita
zviya zviya kuhoneymoon taroorana"

"Kure kwese uko , okay hun


ndanzwisisa"

Takadzika mumota tikatanga kufamba


netsoka mughetto.Takasvika pane
imwe imba yakanaka ndikaona mota
yakafanana neyadad vangu.

"Ko waonei bbe"


"Mota iyo zvairi yadad vangu iri kuitei
ipapo" ndakadaro ndichiswedera
pafence ndikaona iriyo
chaizvo.Ndakapinda mugate muya
ndakuda kuknocka ndikanzwa
kasound kemukadzi aichemerera
mumba umu.Ndakaregesza kuknocka
ndakatya kukanganisa vanhu
ndakaenda pamota iya ndikaona
ndiyo.Kuti ndiDad vangu vari kurara
nemkadzi mumba umu.Asi havasiwo
dad vangu havadaro.Pamwe mota iyi
pane wavapa kuti
amboshandisa.Ndakabuda
ndikasangana namai Tinashe vepanext
door yepamba apa.Mai Tinashe
taipinda navo same church.
"Mwanangu Cindy uriko kusambouya
kutionawo makudada vasikana"
vakadaro mai Tina.Tinashe mwana
wavo akambondipfimba kudhara ainzi
ari kuJoza.

"Ndiri busy nemabooks takuda


kunonyora"

"Shingai kuverenga uyu ndiye


mukwasha wangu here"vakadaro mai
ava vaida zvinhu.
"Ehe ndiye wacho"

"Zvakanaka dadananai muchiziva


pekugumira,baba vako vari kuroja
pamba apa vari kugara nehure ravo
rinonzi Kundai" vakadaro mai
Tina.Ndakanzwa hasha baba vangu
kucheater mai vangu ndizvo
zvavangaregere kuuya kumba nhai.

"Kundai ndeupi wamuri kutaura"

"Kundai Mtetwa haumuzive here


ndakanzwa kuti vari kuda
kutonoroorana ameno kuti ichokwadi
here"
Ndakabuda misodzi andina kukwanisa
kupindura.Petso aindisimbisa asi
pfungwa dzanga dzatova kure.Inga mai
vangu vakanaka wani vatsvuku vachiri
kunzwa zvekuti vakafamba muroad
vanotomiswa chete nekuridzirwa
muridzo.Inga vari smart chiii baba
vangu chavashoora mama vangu
vachida Kundai.Ndakapinda mumota
ndikaenda kumba.Asi Kundai kutaura
chokwadi pataizosangana paizvarwa
mwana asina bvudzi haanyare kuda
kuparadza marriage yevabereki vangu.

Ndakasvika kumba mama vachibaker


mascones avo ndakavabatsira.Ndaita
nyaya navo vairatidza kufara zvavo
ndaishaya kuti ndovaudza sei zviri
kuita murume wavo.Zvakandiremera
kuvaudza handizive kuti vaizozvitora
sei.Asi vanofana kuzviziva vasati
vasati vazodzwa chirwere ndidad.

Mudhara kuda kuroora Kundai asi vari


kuda kudzinga mhamha pamba or
vanoroorana vogara kwavari
ikoko.Ndakanetseka ndaingokwenya
musoro wangu wanga une mabraids.

"Dad vako vanomada mascones aya


ndavaisira message vanogona kuuya
ndofunga kune kwavari vari busy
chete" said mama.

"Hooo shuwa here mhamha"

"Ehe ko misodzi yei iyo mwanangu"


vakabvunza mama.

Ndakazowedzera kuchema zvaindibata


bata uchiona rudo runa mai vangu
kuna dad,asi ivo dad
vaisazviona.Ndakaona zviri nani
mhamha varwadziwe ka1
vazviziva.Ndakavaudza dotcom rese
vakanditi ndiri kunyepa hanzi kana
usina nyaya enda
unorara.Ndakazototukwa ndirini manje
ndakaedza kuvatsanangurira
vakaramba kunzwisisa.Ndikavati
pindai mumota munozvionera mega
vakandi ignowa vachiti ndopenga.

Drop your comments

*WATCH OUT FOR CHAPTER 45*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*
*_Written by King Lee_*
~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 45*

*#LEEROY#*
Takasvika kumba tichibva kuground
takasvika nekugeza zvedu.Hilda
akandibikira ndikadya tikaenda
kunogara zvedu mudinning manga
muna Jane achiverenga novel.Foni
yaJane yanga iri patable yakapinda call
ndikaona pakanzi Tisha kuratidza kuti
ndiye aifona.Akatora akanodairora
panze handina kuita basa nazvo asi dai
ari Hilda azviita taipedzerana.Hilda
handidi naye ndewangu ndega ndini
ndakamuvhura ndega kwete zvana
Jane magaba.

"Daddy how far mangoe dzangu"


akadaro atanga kunetsa.

"My love haisi nguva yemangoe, idya


derere randakakutengera rakawanda"

"Andicharide ini ndoda mangoe"

"Asi Hilda chiii why usiri kuda


kunzwisisa unoda ndiende kumiti
dzemangoe uone wega kuti hadzisati
dzavako" ndakadaro.

"Ita kuti haudi kunditsvagira, derere


wakariona sei hee" kakadaro
kamukadzi kangu.
"Derere nemango e zvakasiyana Hilda"

"Amboti zvakafanana ndiani, uri


kundishungurudza ndoda kuudza tete
Cindy"akadaro akuda
kuchema.Ndoshaya
ndaimushungurudza papi sezvaari
kutaura chiii chochedza apa.

"Saka wakuda kuchemei manje"

"Kuchemera iwewe ukuramba


kutsvaga zvandoda, my child dad vako
ndavatsamwira vakundinyima
zvandikuda" akadaro Hilda akabata
dumbu rake.Mwana uyu anenge anga
akutopenga chete.Ndakaona kuti
nyaya yema orange iyi yaigona
kuzonetsa.Ndakatanga kuudza Hilda
nyaya achiseka zvema orange
akazvikanganwa.Jane akapinda
mumba akanopfeka kadress kapink
kaisiya zvidya panze kanga kari so
sexy.Akauya kagara paside pake
ndikadongorera zvidya necorna
reziso.Hilda anga ari kuside kwangu
ndini ndaiva pakati pavo anga
akatarisa Jane kuti akuda kudiii.

Jane akaisa musoro pamakumbo angu


kutorara zvake ameno blambi yangu
yakamira sei akazvinzwa
Jane.Akamuka akuda kuvhura zip
akabatwa naHilda.Akapihwa mbama
achitukwa iye Jane akaramba ari ziii
akabata dama raanga arohwa.Hilda
akanditora kuenda neni kubedroom.

"Sei waramba wakanyarara asi


waizvidawo kani aaah wanga
watomisira Jane"

"Aiwa honey zvatondishamisawo ini


andina kumisira Jane pandagumhana
newe ndipo payamira muviri wako
magetsi" ndakadaro.
"Lee unaudza Jane apfeke
zvakadzikama imi mapfekero ayo
pamurume wangu andidi
hangu"akadaro asina mufaro shasha
yanga yatsamwa.

Ndakamuti handei ndinokutengera


maice cream akafara.Takabuda
tikaenda ndikamutengera akarova
zvake smile ichisvika
kugotsi.Ndakatenga yoghurt yaidiwa
naJane andina kuudza Hilda ndeya
Jane.Mumota ndakaona Hilda akurova
yoghurt iya hanzi iyi inonaka asi
haizopfuura yestrawberry.Akarova asi
haana kuipedza yese.Takasvika kumba
Jane akarara pasofa nekadress kake
kaya kadiki pant raitooneka futi.Hilda
akasvika chipfuurira kuenda
kubedroom ndikasara ndakayeva Jane.

Elena akasvikawo akatopererwa


nekamupfekero kaJane.Jane wacho
akamuka akagadzirisa kadress kake.

"Jane mapfekero ako iwayo andimadi


kana uchiona dress riri diki unodii
kusunga zambia" ndakadaro.
"Siyana neni wakanditengera zambi
racho here,ndohembe dzandinadzo
hausi kuona dzikuita diki nenyaya
yenhumbu nditengere dzimwe kana
usingadi ndipfeke idzi" akadaro
achisimuka kuenda kuroom
kwake.Elena naHilda vakabudawo
ameno kwavakaenda.

Ndakanogeza zvangu ndikanzwa door


repabathroom ravhurwa ndakafunga
kuti pamwe ndi Hilda adzoka.Ndanga
ndakatozara sipo kumeso
zvangu.Ndakanzwa ndabatwa blambi
ikatanga kugezwa ikabva yaiswa
mukanwa.Hilda akatanga rini kudaro
inga mubedroom haite wani ummm
ndakanzwa kunakirwa ndakuda
kubudisa hurume ikabva yaiswa
mupunamo ndakanzwa nekudziya
kwacho.Ndakarova basa kwete
zvekutamba.Ndakavhura mvura
ndikabvisa sipo kumeso.Ndakaona
ndanamwa nekiss ndakavhara maziso
zvinoitwa but kiss iyi yaisandiitira
ameno why.Patakasiyana ndakaona ari
Jane ndakarohwa nehana iye
akaramba akanditarisa kuratidza kuti
aitoda mamwe marounds.

"Ummm thanks daddy chindiitai ka1


ndiende kaHilda kasati kasvika ummm
rega arambe nemi daddy munonaka
munobaya panonaka chaipo" akadaro
Jane.

"Jane izvi zvaitika nemistake


ndaifunga ndiHilda get out ndigeze iwe
hure zvatovharana zvakadai tenda
Mwari dai usina nhumbu
ndakukwapaidza"ndakadaro iye
akabuda asi ndaiona dzainyemwerera
pachiso.

Hilda akadzoka kubika ndainzwa


kunyara kutarisana naye.Asi ndakaona
ndikanyara aizondifungira ndakatanga
kutaura naye.Aitozvifarira asingazive
zvinhu zvasara zvichidyiwa
naJane.Cindy akasvikawo manheru
iwayo tiri busy kubika.Akataura nyaya
yake yese asi mudhara sei asingakure
ndakanzwira mai vangu tsitsi.

"Asi mhamha havasi kundinzwisisa


vari kuti ndonyepa ndakutya vanogona
kuzadzwa chirwere mamudhara" said
Cindy.

"Ndichataura navo mangwana asi


zvinorwadza eish"

"NdiKundai upi wamataura tete"


akabvunza Hilda.
"Nditete vako andizive sei vafunga
kuparadza marriage yavabereki
vangu"akadaro Cindy akatarisa Hilda.

"What!! Tete vangu ooh nhai Mwari


makandipirei tete vanonyadzisa kudaro
zvino ndichatarisana navamwene
vangu sei" akadaro Hilda akapfugama
achibudisa misodzi.

"That'life makoti iwewe usatya hausiwe


une mhosva" akadaro.

"Vari kusvibisa zita redu zvakutaurwa


zvinenge zvakunzi vanhu vekwaMtetwa
havaite"

Ndakasimbisa mukadzi wangu anga


akurwadziwa.Cindy akadzoka akati
ndasiya mama vega.Hilda
ndakamuudza nyaya ndakamuti
mhosva ndeya baba vangu
vasingagoni kuvhara zipi.Ndakaona
kuti Hilda aisaziva kuti tete vake ihure
remakoko.Takapakura chikafu
tikanodya patable Jane aingonditsika
pasi apa ameno akaita sei akanotsika
Hilda.

"Jane makumbo ako ari kusvika sei


kuno wanditsikirei aaah Lee asi muri
kutsikana pasi" akadaro Hilda.

"Sorry ndaida kutsika Lee,ehe ndiri


kumutsika kuti anditarise"

"Hoooo ndazvinzwa" akadaro Hilda


ndakaona anga atsamwa hake.

"Thanks daddy Lee masimbisa mwana


wedu achakura akasimba ummm
munonaka daddy regai Hilda arambe
nemi next time ndichakuitai
zvakapfuura zviya" said Jane.Hilda
akanditarisa neziso raiva
nemubvunzo.Akasimuka patable
akaenda pana Jane.

"Unofunga handizive ukunyepa Lee


wangu haarare newe ndiripo yaLee
uchaigumira mukurota chete" akabva
aenda kubedroom.

"Lee huya muroom mangu manheru


kana Hilda arara ndikuite zvakapfuura
zviya ndoda kukuratidza kuti ndoziva
zvandoita kupfuura Hilda" said Jane.

"Jane zvawakuita izvi unaona kuti


unobva pano andidi kunetserwa
mkadzi wangu"

Ndakasvika kubedroom ndikasvika


Hilda achichema achirongedza hembe
dzake mubag.

"Lee hauna kumbosiyana nababa vako


mese moda vakadzi too much ini
ndazvitadza andidi unditevere zviri
nani kutambura ndichifara"

"Hilda trust me apana zvandamboita


naJane, haumuzive here kuti ari kuda
kungotiparadzanisa"
"Ko matsikana pasi petable kuti zvidiii
mukundiitisa muchirara mese"akadaro
Hilda.

"Aiwa Hilda handirare naye ini why you


don't trust me, ndiye anditsika ndipo
pawazviona paya"

Ndakambundira Hilda ndikamusofta


akadzikama zvake.Munhu wacho here
anga akungotsamwa tsamwa.Maitikiro
azvakuita aya handichamafariri
ndinoda Jane ambobva pamba pangu
ambogara kwamama zvinenge zviri
nani panonetsa futi kuti
havawirirane.Hilda akarara makumbo
ndakanyimwa musi uyu akarara
akandifuratira.Mangwana acho
ndakamuka kugadzirisa breakfast
ndikamuvigira ndikaona
akunyemwerera.Anga andiregerera
ndakafara ko sei asingazvari Jane
wacho ndakarara naye mwedzi upi
zviya.

*HILDA*

Jane paakanditsika ndakaziva kuti aida


kutsika Lee.Ndakazoona rimwe gumbo
raJane rakatsika gumbo raLee.Jane
paakataura achitenda lee achiti
unonaka ndakarwadziwa ndakafunga
kuti vanenge varara vese pandabuda
naElena.Ndakaona kunga
ndaiitiswa.Ndakarara ndakatsamwa
zuva iri.Ndakazomuregerera ndaona
kuti Jane aingorwadziwa nerudo rwedu
naLee.Ndakabva ndatoti Lee pese
paari ndipo kana kugeza ndichatogeza
tese andichadi kumupa nguva naJane.

Tete Cindy vakafona vachiti mai vake


vaenda kunorwa naKundai.Mai Tinashe
ndivo vazobata fight yacho ivo baba
Lee vainzi vatuka mukadzi wavo
pajekera.Cindy aisanyatsotaura
taingonzwa kuchema takazogumisira
kunzwa kuti mama vake vadonha.

Lee akatora mota akaenda kunotora


mai vake akavaendesa
kuchipatara.Ndainzwa kunyara
nehunhu hwatete vangu ko mai lee
kana Cindy vaizondionawo sei obvious
vachatoti vanhu vekwaMtetwa muri
mharadzi.Doctor vakati mai Lee BP
yanga yakwira.Doctor vakasimbisa Lee
naCindy vanga vari kurwadziwa.Cindy
aitochema anga ane ropa pamuromo
ziso rakazvimba ndakaziva kuti inenge
fight.
"Ko Cindy warohwavo nani"said Lee.

"Dad ndivo vandirova pandaida


kubatsirana namama kurova Kundai"
akadaro achichema.

"Sei iwewe sei wazoenda namama


ikoko inga ndakati ndichauya
ndichitaura navo"

"Mama vati ndivaperekedze kumba


kwamai Tinashe saka andina kuziva
kuti vari kunorova Kundai"said Cindy.
"Vakaziva sei kuti ndiko kunogara dad
asi wakavaudza here"

"Ndakavaudza pavaraimba kunzwisisa


paya nhasi dzangomuka dzichiti
ndiperekedze kwamai Tinashe"

Lee akabuda nemota yake akaenda


kunogara baba vake akasvika
vasipo.Vainzi vachangobuda akuna
anoziva kwavaenda nehure ravo.Lee
akadzoka kuchipatara kwatanga tiri.
"Mashoko ataura dad ndofunga ndivo
azonyanya kurwadza mama chete"

"Cindy kutaura chokwadi


pandosangana nadad handifunge
panobuda chakanaka ,Hilda sorry
kukuudza izvi tete vako ndoda
kuvarova zvekuti vachaziva kuti
murume wemunhu haatorwi" said
Lee.Ndakamuti ndoda kutovarovawo
tete vacho.

"Hanzi nadad ndoda kutoroora


kundai,iwewe nekagora kako
muchabva pamba pangu vakunditi
kagora zvandirwadza andidi kunyepa"
ndakabuda panze natete
ndikavasimbisa.

Mai Lee vanga vabaiwa injection rekuti


vambozorora.Kwakasviba vasati
vamuka Cindy akaramba kuenda
kumba akarara muchipatara imomo
akarinda mai vake.

Lee anga ava zii ndaiona


airwadziwa.Gogo vakauya mangwana
acho vakarwadziwa vachinzwa zvaitwa
nemwana wavo.Vakafonera mwana
wavo akadaira vakamutuka.Baba Lee
vakati chero mukandituka apana
chochinja mai Lee andichavadi
ndakuvapa mwedzi vabve pamba
pangu.Gogo vakarwadziwa apana
zvavakazotaura vakati vakudzokera
vakuda kunotaura nasekuru nezvaya
iyi yaitova serious.

Baba Lee vanga vasingachatogari paya


ameno vanga vakugarepi.Mai Lee
vakazobuda muchipatara asi vanga
vasingataura nemunhu vanga vangori
zii.Ukada kutaura navo vaisapindura
ndakaona state yavanga vari vaida
munhu paside vaizogona kufunga
kuzvipfuudza.Cindy akati
ndikatombomira kuenda kuchikoro
ndimbovaraidza mai
vangu.Takambofunga kuti
havachataure asi vakazoti Cindy huya
undibatsire kubvisa hembe dzababa
vake mumba umu.Dzakaiswa mubag
rikanoiswa kugarage bag racho.Vakati
pano andibve zvekumhanya kana
Kundai wacho andidi kumuona pano
panoti inini.Lee akataura namai vake
achivasimbisa kuti apana zvaizotika
pano.

Takaenda kumba kwedu naLee anga


ari ziii.

"Lee wakazoti chii nekutsvagira Tasha


basa" ndakadaro.
"ooh sorry ndaida kukuudza
kutozvikanganwa nestress basa
akariwana but robhadhara pane imwe
shop inotengeswa mahembe nebhutsu
ndoda munhu akavimbika vachange
vachishanda vari vaviri nemusikana
ariko anonzi Tino" said Lee.

"Hiiii thanks daddy magona Tasha


ndovimba naye hangu" .

Takamukira kuenda kumusha


naLee.Takasvika Lee ndikamusiya
pamba pagogo vake ndikaenda kwana
Tasha.Ndakasvika ndikaona kamwana
kaTasha kachinyimwa porridge
nagogo vacho.Gogo vacho
vaikanyemudza vachipa kamwana
kavo uyu ndihwo hwaiva
hutsinye.Kakatanga kuchema
Makanaka kamwana kaTasha
ndakasisimudza.Mai Tasha vakatanga
kupopota vachindituka.

"Ukudei pano ndiwe umwe akauraya


murume wangu"

"Mai imi sei musina moyo wekubereka


hee Mwari vakukomborerei
nezvamunoita"
Ndakaenda kuroom kwaTasha
ndikasvika achichema akabata pic
rababa vake.Ndaiona baba vake
aivada.

"Hilda ndikurwadziwa hupenyu


hwazondiomera dai baba vangu vasina
kuuraiwa zviri nani ndivo vega
vaindida pfuma yavo yakatorwa
nehama dzavo, mama vangu avandidi
ndoshaya kuti ndivo mai vangu chaivo
here vaindida baba vangu varipo
kutaura kudai vandibira mari yangu
yandinohodhesa neyandakatengesa
madomasi nezuro andisisina
pekutangira umwe wangu" akadaro
Tasha achichema.

Ndakamusimbisa tikambotaura nyaya


anga akutombonzwa zviri
nani.Ndakazomuudza kuti basa raita
akafara zvisingaite mai vake vakauya
vachida kunzwa.

"Ko inoise yei yamunotiitira izvozvi


mamusa kamwana kangu"

"Atisi kutaura nemi amai dzokerai


henyu kumusa mwana agara akamuka
here itai muda kunzwa nyaya
dzedu"ndakadaro mai Tasha
vakadzokera kumwana wavo anga
akuchema.

"Ko baba vemwana wamai vako


ndiani"

"Anditozivewo ini"

Ndakamubatsira kurongedza hembe


dzake.Mai vake vakaona takubuda
nemabag vakatitarisa vakati moenda
kunohura vakati kuna Tasha
ukangobuda gate iro usadzoke futi
pano.Apana akavapindura Tasha
avakaoneka zvakanaka vakamutuka
ndaishaya vanga vakamuvengerei kuti
mwana wavo chaiye here
uyu.Mhinduro iyi yaida sabhuku manje
zvavasisipo zvakaoma.

Takaisa mabag mumota maLee.Gogo


vakati dai vasina kubatika vauya vaida
kuenda kumusangano kuchurch kwavo
asi vakati vari kuuya vachiona mama
vese nasekuru.Takaenda naTasha
pabasa pake tikamusiya naTino
waizoshanda naye ndiye akamuratidza
room raizorara.Ndakasiya
ndamutengera chikafu nehembe
dzemwana wake ndikamutengerawo
iye Tasha wacho akati aizodzosa mari
yangu paanotambira.Ndakamuti
usadzosa akanditenda.Chakaita kuti
nditenge hembe haisi nyaya
yekuwandirwa nemari asi ndakaona
hembe yaanga akapfeka pamwe chete
nemwana wake dzanga dzine
zvigamba.

Takananga kumba kwamai Lee


tikasvika vachinzi vadye naCindy
vachiramba.Apa zvainzi vakarara
vasina kudya futi.Ndakanopfugama
pamberi pamai Lee ndikavatarisa
mumaziso chaimo ndaiona vane
kurwadziwa kukuru.

"Mhamha ndinoda mundiregerere


nezvakaitwa natete vangu kana ini
ndiri kurwadziwa nekunyara futi
ndotombochema ndichiti sei Mwari
vakandipa tete vanonyadzisa kudai
please mhamha ndoda mudye mufadze
ini nekamuzukuru kenyu kari
mudumbu umu, ndoda muzotamba
nekamuzukuru kenyu please mhamha
idyai musanyanya kufungisisa that's
life" ndakadaro mai Lee vakandibata
vakandigarisa paside pavo.

"Okay ndazvinzwa muroora wangu


ndinokudisisa ndakudya because of
kamuzukuru kangu" vakadaro mai Lee
vakatanga kudya.Ndaiedza kutaura
navo nyaya waingonzwa dzichiti
ndakura manje manje ndakunzi gogo.
"Mhamha ndoda mundidzidzise
kubaker zviya ndazvikanganwa"
ndakadaro.

"Aaah huya ndikudzidzise inini"


akadaro Cindy.

"Handidi ndoda kudzidziswa


namhamha iwewe unozondinyepera"
ndakadaro mai Lee vakatanga kuseka.

"Haa muroora wangu unonakidza


handei mukitchen
ndikubatsire"vakadaro
vachisimuka.Lee akanyemwerera
akanditarisa akauya pandiri
akanditsvoda.Lucky mai vake vanga
vaenda mukitchen tete ndivo
vakazviona ndakanyara Lee futiwo.

"Imi ka ndinyareiwo ndivataurira


mama" akadaro Cindy.

Ndakaenda mukitchen mai Lee


vakatanga kundidzidzisa zvavo
ndichavaudza nyambo vaita kunga
vachadambuka mbavhu nekuseka Lee
akauya kudongorera.
"Uri kudei muvakadzi haunyare"
ndakadaro.

"Nhai hako anoda zvinhu" akadaro


Cindy.

Ndakadzidziswa zvakawanda namama


natete vangu.Ndaida kuzobikirawo Lee
tava kumba.Takava nenguva yakanaka
tikaenda kumba takasvika Jane
akarara pasofa.Sofa iri aizorida
zvisingaite pese ndipo panenge
akangogara .

"Lee ndipewo mari ndoda kutenga


foni" said Jane.

"Ko yako yadii inga yakanaka wani"


akadaro Lee.

"Yakubhowa ndoda nyowani ini"


akadaro Jane.

"Zvakaoma unaona Hilda ndiye


anogara nemari" akadaro Lee.

"Amana ndakumbira iwewe not Hilda"

"Kana usingadi regere shaa"akadaro


Lee.

"Hilda enda unonditengera foni


yakafanana neyaLee change yacho
wotenga yoghurt nemaoranges
please" akadaro Jane.

"Uku demander here,ini nditenga


manje ngatione yako" ndakadaro
ndichiitora.Ndakaona yanga yakanaka
isina problem.

"Foni yako haina problem saka apana


need yekutenga imwe hatitambisi mari
zvisina basa" ndakadaro.
"Kutambisa mari kudiii kuti ndeyako
here"

"Ndanga ndichida kukupa mari yekuti


utenge yoghut nemaorange zvauri
kuda manje handichakupi chigara
wakadaro" ndakadaro.

Lee akabuda achitaura naWaya


pafoni.Akabva aenda kumba kwake
ndikasara.Ndakamuti andimhoresere
Belly.Ndakanogara mumota yangu
nyowani.Elena akauya tikapinda
mumota mangu.
"Mota iyi mapombi isimbi chaiyo sei
Lee asingaishandise"

"Haisi yaLee ndeyangu ndakatengerwa


naLee"

"Hiiii mava njonda manje


ndichatoudzawomama, manje kafoni
kangu kambudzi hakatori mapics
ndingadai ndatora mapics"

"Andidi munhu ane makuhwa,mhamha


vanofana kukutorera foni iwewe
wakangwarisa" ndakadaro ndichitora
foni yake ndichitarisa kuti
anombotaura nani.Ndakaona
ishamwari dzekuchikoro zvevakomana
zvanga zviri kure naye.Asi anga ari
kukura hake Elena.

"Sis nyaya yatete kundai


yakandibhowa even dad naba Kevie
vakanyara vachinzwa nyaya
iyi,vakafonerwa tete vakati vari kuuya
next month vachibvisirwa"

"Kubvisirwa aah nhai Mwari"


ndakadaro ndabata musoro.

"Vari saDad hasha dzavainadzo


hadziite tete kundai vakaonekwa
vanorohwa vakafa chete"

_Ba Lee naKundai vacharoorana here_

_ko mai Lee vachadzingwa pamba here


vachaita sei_

_ko Lee sei asiri kuda kubvisa Jane


pamba pake_
*_WATCH OUT FOR CHAPTER 46_*

[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:


*HATRED THEN LOVE*

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 46*
*#HILDA#*

Elena akazoenda kumba achifara kuti


sis vake vane mota.Kuchikoro kune
vachamboganzirwa chete.Ndakapinda
mumba ndikaona Jane achiverenga
novel rake aida zvekuverenga mwana
uyu.Ndakatora remote ndikaisa chanel
yemaIndians iya,Jane akabvisa akaisa
yemusic.
"Asi chiii newe Jane

"Murume wakatora unorara irimo siya


TV ndione"

"Zvauya sei inga uri kuverenga novel


wani"

"Ndatomira kuverenga ndakuda kuona


TV"

"Okay chiona kwacho ndipe novel


ndifane kuverenga hangu" ndakadaro.
"Handidi hangu wakandinyima mari
yefoni"

"Gara wakadaro mufana uchafa


negodo very soon ndikunobvisirwa"

"Chero ini achandibvisirawo tese toita


vakadzi vake ummm murume wedu
anonaka pamwe ndini ndoziva
kumufadza" akadaro Jane.

Jane aida kungondibhowa hake


chete.Ndakamusiya ndikanogeza
hembe dzadaddy.Jane akauya nedzake
achindikumbira kuti ndimugezere
aifunga kuti ndakapusa ndakamutuka
akabuda asvava.Ndakayanika hembe
panze ndichicleana mumba.Jane
aisamboita basa hake chake kudya
nekurara.

Pakaoma hembe ndakadzi ayina


ndikapeta ndikaisa
padzinogara.Pandakapedza ndakarara
ndanga ndaneta.Lee akasvika
achindimutsa akanditsvoda akagara
paside pangu achinditenda
nekuchenesa mumba nekugeza hembe
dzake.Akati next time andidi uite basa
rakaoma ini zvekuswera ndakagara
ndaisazvigona.
"Daddy manga maenda kunodii
kwaWaya"

"Aida kundiudza kuti akaroora nezuro


vakuronga muchato"said Lee.

"Hiiiiii agona I'm happy for them"

"Bbe very soon ndinobvisirawo


kwenyu"

"Hooo ndaneta nekungoudzwa kudaro


ini"
"Hilda i'm serious"

Ndakazongoti ndazvinzwa ndikabva


ndanyarara hangu.Ndakasimuka
ndikanogeza Lee akateverawo tikageza
tese ndikamboitwa mubathroom
imomo.Tikabuda ndanga ndaneta
ndakarara ndikazomuka Lee ari busy
palaptop pake.

Ndanga ndane nzara ndakaenda


mukitchen ndikaona makabikwa
mapotatoes ndakaziva ndiJane abika
chete.
"Lee ndine nzara ini"

"Inga wani chikafu chirimo enda


unobika"

"Handidi ini"

"Saka gara anofa nenzara ndiwe"


akadaro.

"Lee kani" ndakadaro ndakubudisa


misodzi.Lee akasimuka aikandibikira
akandipa chikafu chacho.
"Chidya my love"

"Handidi"

"Asi Hilda wakundinyanyira inga


ndakubikira wani unonyatsodei
chaizvo"

"Ndoda tidye tese andidi kudya ndega"


ndakadaro ndakaona Lee anga
atsamwa.Ngaatsamwe iye
aindinhumbusirei achiziva azogoni
zvandoda.Akatanga kudya hake
akanyarara.

"Wakamirirei idya ka"


"Handidi handidye kana wakatsamwa
asi ndikunetsa kani"

"Aiwa my love" akadaro


akundipakisa.Takazodya Lee
akundiudza nyaya zvanga zviri so
sweet.Jane akasvika nekugara pasofa
pake akanditarisa.

"Daddy ndasuwa mhamha natete


Cindy"

"Wakabva kuvaona nezuro"

"Nduda kuvaona nhasi ini" ndakadaro.


"Okay handei unovaona"

"Ndoda kuendawo" said Jane.

"Kuenda kupi" ndakabvunza.

"Kwamuri kuenda moda ndisare nani"


dzakadaro dzichipfeka bhutsu.

"Akuna kwaunoenda iwe" akadaro


Lee,Jane akaikwetsura mhere kunga
asvikirwa.
Kupedza nharo takazoti tiende naye asi
kusvika kwatakaita naye mhamha
avana kumufarira.Jane akasvika
nekupinda mukitchen akatora
mascones nedrink akatanga kudya
achiuya kwataive takagara.Zvaakaita
zvinonyadzisa kusvika nekupinda
mukitchen usati wamhoresa vanhu
vepo.Beside kutomhoresa vanhu vepo
zvonyadzisa kupinda mukitchen
mevanhu kwakutanga kudya
chikafu.Mama vaida kutaura asi
vakazonyara nekuti munhu ane
nhumbu.

"Munhu abika twunhu utwu chibaba


chaicho ndoda azondidzidzisewo
ndibikirewo Lee wangu" akadaro
Jane.

"Honai haritonyari ipapo rinoti kushata


futsek ndaida kutokurova asi
ndatonyara kamimba kako aka"
akadaro Cindy.

"Jane buda muno unogara kumota uko


kusvika kwako kwaita mai vangu
vashaye mufaro" akadaro Lee.Jane
akabuda hake achichema zvekuti mai
Lee vakasimuka vakamutora vakamuti
gara hako asi zvawaita handina
kuzvifarira.
"Amuna kuzvifarira sei ini ndiri
muroora wenyu ndodya zvandoda
pano" akadaro Jane anga asina
mukanwa.Mai Lee vakazunguza
musoro vakaramba vakanyarara.

"Pano apasi pamba paLee iwe hure


wakuenderera manje ndinokutumbura
kamimba ako kaunovhaira nako"

"Zviedze uone kuti ausweri wavharirwa


here ndozvamunoita morwadziwa neni
ndini ndine yese kwete kaHilda kenyu
kasina skiri" ndakazoona apihwa
mbama naCindy.Cindy aida
zvekutakanda maoko chaivo
akazobatwa namai vake.Zvakatukana
nguva refu naJane.Lee akatora Jane
akanomuvharira mumota akadzoka.

"Lee musikana uyo haatorina hunhu


mogarisana naye sei haasi kunetsa
muroora wangu Hilda here"

"Zvaaniko ndizvo zvaanoita akaona


vanhu ari kumba uko anenge
akanyarara"akadaro Lee.

"Ichokwadi here muroora wangu huya


ugare apa" vakadaro mai
Lee.Ndakasimuka ndikanogara pedyo
navo vakandiradzika pamakumbo avo
vachindipuruzira musoro wangu

"Mhamha ndoshaya Lee haasi


kutsvagira Jane pekugara pake ega sei
akundibhowa" ndakadaro.

"Lee ndiudze chii chiri kuita usadzinge


Jane" vakabvunza mai vake.

"Kana achitadza kumudzinga ndoda


kumudzinga ndega" akadaro Cindy.

"Mama naCindy ndoda munzwisise


Hilda ndiye muroora wenyu chaiye
ndiye wandoda kuroora,Jane ndaida
kumutsvagira pake ega asi ndakaona
azviite semunhu akazvitakura
ndakamirira paanopona
ndomutsvagira pake"akadaro Lee.

"Ko unomutsvagira musikana webasa


waanenge achigara naye kana paita
problem anokufonera"akadaro Cindy.

"Cindy nzwisisa kani inga very soon


anenge akuzvara"
*JANE*

Clever paakandibata chibharo ndanga


ndisina kuzara asi ndaingonyepa
hangu kuti ndanga ndakazara.Stan
ndiye akandibvisa humhandara
hwangu ndiye aiva mkomana
wangu.Stan ndakaona aisandida aida
zvekungorara neni chete.Kusangana
kwandakaita naLee hana yakarova
ndaimurwarira kubva kare asi
aisandicheuka.Ndakaona uriwo
mukana wekumuitira ma actions kuti
adyire.

Lee wacho aita kunga bofu


aisambozviona kuti ndomuda.Aida
chimusikana chake Hilda ndanga
ndakachivenga
zvisingaite.Mashamwari angu aindudza
maadvices hobho asi airamba
kushanda.Tisha akazondifonera achiti
aona mota yaLee iri pabhawa ndikatoti
ndiwo mukana wekurara naLee
akadhakwa ndikaita nhumbu yake
haazondirambe.Ndakazoenda pamba
pake kwasviba ndikaona akarara
muroad akapera nedoro
ndakafara.Ndakarara naye husiku
hwese uyu ainyatsa kubaya panonaka
kwete zvana Stan vane tudora
vaisarova nguva refu.Husiku uhu
ndakanyatsonzwa kunaka kwayo
ndikaziva kaJnr kanenge kaiswamo
chete.

Pandakazoita mimba ndakafara


zvisingaite.Baba Lee vaifunga kuti
ndiri hure vaindipfimba ini zvemadhara
ndaisazvida.Ndakavaramba munhu
wandaida ndiLee chete kwete vamwe
vese ava.Ndavaramba vakandipa mari
vachiti usazoudza vanhu ini ndikavati
itai kuti Lee andide andiroore vakati
izvozvo zvidiki mira uone.Lee wacho
aita kunga akadyiswa aisada kuterera
baba vake.Zvekuti ivo baba vacho
vakazogumisira vasiyana nazvo.Lee
aifunga kuti nhumbu yandinayo haisi
yake.Nhumbu iyi yaiwa yaLee nekuti
ndiye wandakazogumisira kurara naye
pasina maprotections.Ndaida aite
maDNA test pandinozvara ndiko
kupedza zvese.

Hilda ndaiwedzera kumuvenga zuva


nezuva ndiye aikonzeresa kuti Lee
asandide.Tisha shamwari yangu ndiyo
yaingondisimbisa pafoni sezvo Lee
akati andidi shamwari dzako pamba
pake.Ndainamata kuti dai mwana
wangu akaita mkomana azotora pfuma
Lee chete kaHilda kaite kamusikana
apana zvakanowana chete.Varume
vanoda vana vakomana ndikakaita Lee
anobva andida chete.Ndaida kuenda
kuscan asi mari ndanga ndisina.

Mai Lee naCindy ndivo vanga


vakandivenga vachida Hilda.Mai Lee
ndoda kuita kuti vandide chete mirai
muone ndinoziva vakandida chete race
racho ndawina.Sei Hilda achidiwa
mushonga chete ka uyu.Ndoda
kutotsvaga mushonga unouraya
kamwana kari mudumbu make
chete.Ndaisada kuita zvemushonga asi
Hilda ndiye ari kutanga.Sei iye achibika
ini ndichirambidzwa obvious ari kuisa
mushonga muchikafu chaLee.
Dzimwe nguva ndobika chikafu kuti
Lee adye aone ndinokunda Hilda
kubika asi haadye.Kana kurara neni
anoramba ndinenge ndichida
kumuratidza hudobi dobi.Ndizvo
zvakazoita ndimupindire mubathroom
ndainzwa kuda murume
ndakanomudya ndakaona akazvifarira
ndikaona Hilda anenge aisazviita.

Chaizonyanya kundibhowa
vaisasiyana kana vakabuda vaibuda
vese.Ndaimbosvika pakuchema sei
Lee asingandioniwo inga ndakatakura
mwana wake ndakaona kuti kuona
kwakaita ndakarara naStan
kwakamubhowa.Ini aida ndidii
ndainzwa zemo kuda murume iye anga
asipo.Pandakavakumbira mari ndaida
kuenda kwaGogo Zimuto kunotenga
mushonga unouraya mwana waHilda
ari mudumbu.Kundinyima
kwavakandiita mari kwakandirwadza
zvisingaite Hilda aitoita kunga
yake.Chiii chinozoita kuti Hilda
achengete mari yaLee mushonga uri
kushanda apa.

Tisha akati haanawo, ndakaedza


kutsvaga panogara mari yavo
ndikapashaya.Mhamha naJerry vanga
vakanditsamwira vari saMhamha
vakandiblocka paApp nekuti
ndakambovanyepera kuti nhumbu
ndeyaClever.Dad vaiva abroad
pavakanzwa nyaya yangu
vakandiblockawo zvanga zvanga
zvakaoma.Andizive kuti Lee
akandidzinga ndonangepi panoda
kusunga dzisimbe kana ari kuroora
acharoora tese Hilda ndozomuita
chibereko chake chitsakare asafa
akaita nhumbu futi.

Ndakabuda ndichienda
kunonyengerera Jane andipewo
mari.Ndakamuona ari kune imwe road
achitukwa nekamwe kamwana
kechikoro.Ndakaenda pedyo ndikaona
zvaari Elena regai kapfimbwe kanga
karipo kamwana aka.
"Kushata kutodza Jane ibva muroad
mangu" akadaro Elena.

"Nzwisisa ndokupa mari yakawanda"


said Jerry.

"Mari ndopihwa nababa vangu, iwe


imbwa ndati ibva muroad"

"Une bag redzungu mwana iwewe


azvina kumbokufita"
"Ehe nderangu" akadaro akatora
matombo akatanga kutema Jerry.Jerry
akatiza achidzika neroad ameno
akaendepi.Elena akauya pandiri
akasunga face.

"Iwe hure mubate kambwa kenyu


akaramba achindinetsa ndikuenda
kumapurisa ndononyepa kuti aida
kundirepa andibata mazamo remember
ndine 14yrs ndinowina" kakadaro
Elena aigona kuzviita nedzungu
raanaro.

"Wauri kuti hure ndiani iwe siyana


neni" ndakadaro.
Ndakabva paari ndikaona wallet
yaJerry pasi.Ndikaona mari yanga
irimo ndakafara ndakatora road
yekumba kwagogo zimuto.Ndakasvika
varipo ndikavaudza nyaya yangu
vakandipa mushonga wacho vakati
unoisa muchikafu chaHilda or
mumvura yake
yaanonwa.Ndakavatenda vakati isu
hatizivane hatina kumboonana
ukabatwa imhosva yako.Ndakavapa
mari yakawanda ndikabva ndaenda
ndichifara zvisingaite.Ndakazoona
Elena amira pamberi pangu
achakapfeka uniform ndakaona kunga
ainditevera.Akabvuta handbag rangu
akatora mushonga uya akanditarisa.
"Mushonga wei uyu ndiudze"

"Ndewe makumbo ndipe kuno mhani"


akatiza nawo mwana aiva
nedzungu.Pari kushaya
anomudzikamisa chete ini haandizive
mushe akatanga game iri anonyura.

Akamhanya andina kumubata


ndakabhoekana.Ndakaenda kumba
chiso chakarembera ndikasvika Elena
ariko akamirira kudzoka kwaLee
naHilda.
"Hilda ndipe mushonga wangu"

"Ndoda kuudza Lee zvese ndazvinzwa


zvamaitaura nagogo
Zimuto"ndakarohwa nehana.

"Hiiiii usadaro kani Elena ndokupa


mota yangu iya nemari pamusoro"

"Handiide ndoshandisa dzababa vangu


une shuwa kuda kubvisa nhumbu
yasis vangu"
"Aiwa Elena watadza kunzwa
zvakanaka haubvise nhumbu asi
unoita kuti mwana abude ari mutano"
ndakadaro.Vana Lee vakapinda Elena
akamhanya kundimbundira sis vake.Ini
ndanga ndakutodikitira panguva iyi.

"Ko mushonga wei uyu"akabvunza


Elena achiratidza Lee naHilda.Hilda
haana kumbouziva kuti ndewei asi Lee
akauziva.

"Mainini mauwana kupi handiude pano


uri dangerous"
"Wanga una Jane ndamuona achienda
kwagogo Zimuto ndiko kwautenga ari
kuronga kuuraya mwana ari mudumbu
masis vangu" akadaro Elena.Hilda
akanditarisa neziso rine kurwadziwa
mukati.

"Kunyeperwa ndaswera ndakarara ini"


ndakadaro.

"Saka ukuti ndikunyepa here iwe sis


nabamukuru ndikutaura chokwadi ini"
akadaro Elena.

"Lee kamwana aka kanonyepa kari


kungoda undidzinge pano chete"
ndakadaro

"Mainini Elena handina kuzvifarira


ndaona muri kunyepa patobva pano
tinosiya takiya gate saka Jane wacho
abuda nepi, Jane haana mari
inokwaniss kutenga mushonga uyu iye
aikumbira mari yefoni tikamunyima
ndatoona kuti imi mauya kupa sis
venyu kuda ku..."akabva akatwa
naElena asati apedza kutaura.

"Kana muchiti ndonyepa iri bhoo


matondiratidza kuti pfungwa dzenyu
dzinomboita dzichikusiyai,sis Hilda i
love you so much musadya chikafu
chobikwa naJane kana mvura
chaiyo,kana hembe muchenjere
kugadzirwa murume wenyu atadza
kundinzwisisa ari kuti ndikunyepa"
akadaro Elena.

"Zvevanhu vanoda kuenderera mberi


andizvide get out nekamushonga kako
handidi kuona tsoka yako
pano"akadaro Lee achidzinga Elena
zvandaida zvaita.Hilda aiedza kutaura
naLee asi anga atsamwa.

"Iwe usandibata ndisiye ndizvifambire


ndega pano ndosvika uchida usingade
as long sis vangu vachigara pano"
akadaro Elena anga atori nenharo.
"Hilda bata kamunhu aka ndokarova
kakafira pano" akadaro Lee.

"Hehehede ini ndasiyana nasis Hilda


ndinokupangurai dzungu iroro byee
ndaenda ini asi sis i hope
manyatsoterera zvandataura" akadaro
akabuda hake Elena.

Hilda naLee vakasara vachipopotedza


musi uyu hapana kubikwa ndakabika
ndikazvidyira.Lee akarara pasofa
ndaiona anga akagumbuka
zvingaite.Hilda akarara ega
mubedroom andizive hangu kuti
aichema here.Vaisaziva kuti
ndakagadzira anguwo makey anovhura
pagate.

*WATCH OUT FOR CHAPTER 47*


[11/1, 11:01 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*
https://chat.whatsapp.com/B9Xwsng3L
VsEkNBjrpUqSu

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 47*
*#HILDA#*

Elena ndakaziva kuti aitaura chokwadi


haite majokes nezvinhu zvisina
basa.Lee akandibhowa akatadza
kunzwisisa anga funga kuti Elena
angaudii mushonga uyu.Takatukana
naLee musi iwoyo andina kubika kana
kudya ndanga
ndakagumbuka.Ndakakiya bedroom
rangu Lee akaedza kunocka
ndikamuignowa akazorara
pasofa.Ndakachema ndichifunga sei
Jane afunga kuda kuuraya kamwana
kari mudumbu mangu
katadzei.Ndakaona best way
kumbosuduruka pamba apa ndisati
ndaitwa zvimwe naiye Jane.Lee kana
achindida anofana kundinzwisisa
kwete zvekuti togara tichitukana.

Ndakamuka maziso akazvimba


nekuchema ndanga ndafunga
kunogara kwaamwene
vangu.Ndakatora mabag angu
ndikabuda Lee achakarara.Ndakasvika
pamba pamai Lee ndikanowira
mumakumbo avo ndikatanga
kuchema.Ndanga ndakudemba
mashoko amai vangu vachiti marriage
is that easy sezvaunofunga
chandakaona rudo runonakidza
rwuchangotanga.Tete Cindy vanga
vasipo maybe vaenda
kuchikoro.Mhamha
ndakavatsanangurira zvaitika zvese
vakarwadziwa vakati ndoshaya kuti
imhepo rudzii yasimuka mumhuri
medu.

"Mhamha ndoshaya kuti Lee


ndakamutadzirei ndiye akandibvisa
umhandara akundibata rough hazvisi
fair"

"Ari kukonzeresa izvi ndiJane ndosaka


ndakati paya atsvagirwe pake
pekugara akaramba"
"Ndafunga hangu kuenda kunogara
kumusha zviri nani kuzvitamburira
pasina ari kukushungurudza"
ndakadaro.

"Unoda kundiuraya neBP here hakuna


kwaunoenda pano ndopamba pako Lee
siya akadaro usamunyengerere
akukuda achauya ega iwe ingoshinga
kunamata varume ndozvavari ava
handitozive vakasikwa sei" vakadaro
mama.

Mai Lee vaindida zvandakaona nemeso


ndakaona kuti ndikaenda kure
ndinenge
ndavarwadzisa.Vakandiradzika pasofa
ndakaisa musoro pamakumbo pavo
vachindiudza makuriro akaita Lee
naCindy neumwe musikana anga ari
last born akazoshaya ainzi Felly.Vakati
akashaya mushure mutemwa
nemusoro.Lee zvaitonzi akakura ari
munhu kwaye aifarira zvekumhanya
kubva kare.Mai Lee is so sweet
ndoshaya Ba Lee chii
chavaishora.Ndakapihwa chikafu
ndikadya ndikanorara muroom
yaimbonga yaLee.Ndakasvika
kumugadzira nekubva ndarara.Mai Lee
vakapinda vakatanga kundiimbira
kusvika ndibatwe nehope vaindibata
sekacheche.

Ndakazomuka nguva dzakabva tete


Cindy kuchikoro.Vanga vaudzwa
zvaitika kudhara namama vakati siyai
Lee musamuudza kuti Hilda ari
kuno.Ndakaramba ndakarara hangu
kusvika kwaLee ndakakunzwa aitaura
namai vake mudinning achibvunza kuti
ndiripi.Ameno akazopinda sei
mandanga ndakarara.

"Yooo uri kuno ndanga ndatova


worried kuti uripi"said Lee achigara
paside pangu ndakabva ndatarisa
kuside.
"Asi mkoma Lee chii chinomboitika
pamuri unoziva uri kukuwadza mama
neBP usadaro shaaa ita semunhu
akura"akadaro tete Cindy.

"Zvakaitika nezuro andina kunyatsa


kuzvinzwisisa chete hangu
usandishoore"said Lee.

"Saka ukuedza kuti Elena ndiye akauya


nemushonga here" ndakabvunza.

"Maonero andazviita Jane anenge ane


maspare keys chete anosara achibuda
musipo" vakadaro tete.

"Uya hakuna kwaanoenda anoswera


akarara"

"Ndoproblem yako yekuda kupupurira


hure, izvozvi wasiya ariko here"
vakadaro tete.

"Ehe ndamusiya akarara"

"Handei tinoona kuti aripo here"


Vakabuda ndikasara amwene
vangu.Ndakatanga kutamba chess
navo vaigona havo.Taitaura nyaya
tichiseka vaindibirira paya
pandaivarairwa.

"Aaah mhamha muri kundibiridzira


andichadi ini"

"Ndakubirira papi hehehe bvuma


kukundwa"vakadaro vachiseka.Cindy
akabva apinda achiseka.

"Ko zvaunopinda uchiseka asi


dzakupota dzichirasa here nhai"
vakadaro mai Lee ndikabvaruka
nekuseka.Kamutauriro kavakaita ndiko
kakandinakidza hangu pamba apa
painakidza unogara uchiseka kwete
kwaLee kwaunogara wakabatira hana
mumaoko kutya kuroiwa naJane.

"Vamwene vaHilda munotsvinyawo imi


aaah ndikuseka zvandaona"

"Zvawaona kupi taura tisekewo tese"


vakadaro mama.

"Aah mama vangu vanodawo nyaya


kunga inini" ndakadaro.
"Hahaha tsek wako Hilda, iwe
wakamirirei taura
tinzwe"vakadaro.mama.

"Tasvika Jane asipo asi Lee ati


ndasiya ndakiya gate"

"Aaah ndozvawaiseka here Jane agara


ane maspare key anenge ndiwo aya
andakatorerwa naba Lee vakapa Jane"
ndakadaro.

"Ndizvo chaizvo ko Lee wacho


wamusiyepi" vakabvunza mai vake.
"Aenda kwaWaya anga akatsamwa
maybe anyara kusvika pano"

"Ndakuda kugara hangu pano


panonakidza namama vangu
vanondibiridzira pachess" ndakadaro.

"Ndozvavanoita vanobirira
wazvionawo"

Takaenda kunobika natete vangu


tichiita nyaya.Zuva iri ndakanakirwa
vanhu ava vainakidza kugara navo.Lee
akasvika tiri kubika anga akapusa pusa
ndofunga kunyara.Akanogara paside
namai vake.
"Mhamha munhu anonzi Hilda
ndomuda nemoyo wese andizive chii
chinomboitika pandiri ndazozviona
kuti Jane ane makey epagate"

"Ndakaona kuti Hilda anonzwisisa


chaasingagoni mudzidzise she is still
young anoda kufarawo andidi umutuke
zvekuramwa ramwa uzvisiye uone
zvekuita naJane nguva iripo ndiye
wandiri kuona ari kukonzeresa
matambudziko pakati pako naHilda,
special thanks to mainini Elena dai
vasina kuona Jane kutotaura kuno
Hilda mimba yakabva"vakadaro mai
Lee.Takapakura chikafu tikaendesa
patable tikadya asi ziso raLee raisabva
pandiri.Mhamha vakandiwedzera
nyama ndakazvikuwadza nechikafu
zuva iri.

Mutemo wangu handirare ndisina


kugeza.Ndakanogeza ndikaenda
kunorara Lee akauyawo akandikumbira
ruregerero ndakamuregerera ko
ndaigosvikepi ndakamutsamwira
nemadiro andomuita.

Takatanga kukisana zvedu asi poto


ndakamunyima ndiyo punishment
yake.Asi akandikumbira kuti Jane
angozvara obva amutsvagira kwake asi
akati chikafu ndiye anobika kusvika
ndipone ndakanzwisisa
hangu.Ndakazoti ngatipfugame
tinamate.

"Mwari tipeiwo rudo rwamakapa


kumaziso edu paanoon, anoona ese.
Paanochema ,
anochemerana. Paanorara
,anorarirana. Asi haambofi
akawonana, asi rudo rwawo
harumboperi baba haayitirane godo,
hutsinye, hasha, chinya, anongogara
ari murudoisi yose . Mwari baba
tizadzei norudo tiite hanya nehama
dzedu tisuvane misi yose, tisabayane
pamoyo nezviito kana mashoko
wedzerai rudo muhana dzedu tibvisei
mweya yemakondonemazizi tive
vanyoro senjiva tigone kugara
nenyasha nokusingaper Amen"
ndichingoti Amen Lee akanditarisa
akatanga kuseka.

"Munamato bhoo here ndatenda hangu


mai Maviza"

"daddy ka ndanyarara hangu"

"Ndikuda kuchinja makey epagate


Jane andidi kumubvunza mira uone
hako"
Takabva tarara nadaddy mangwana
takabva tadzokera kwedu.Jane anga
akakwira BP ndakaona Lee akasiya
akiya door repakitchen mwana
wevanhu anga anzwa nenzara.

*CINDY*

Mama vanga vakunzwa zviri


nani.Chandakafarira Hilda aiuya
achivaraidza mama ndaiona zvanga
zvakapindirana.Munhu aindibhowa
ndiJane ndaingonamata kuti dai
mwana wacho akasaita
waLee.Pakanetsana Hilda naLee
nenyaya yemushonga wanga
waonekwa naElena ndakatsamwa.Jane
kuda kubvisa mimba yaHilda kuti iye
adiwe iyewo Lee ibenzi remunhu.

Lee akazopererwa achiona Jane asipo


iye asiya aripo.Ndakafara kuti atleast
azviona kuti munhu wake
haaite.Anenge anga aenda kunopihwa
umwe mushonga chete.Lee
akazoregererwa naHilda vakadzokera
kwavo.Asi ndaipota ndichisvikako
kuona Hilda akagara zvakanaka
here.Lee anga akuronga zvekuda
kutsvaga basa kana Hilda akazvara.

"Ko Lee haasi kunetsa here makoti"

"Mazuvano achinja akundida


ndakuitirwa zvese ndakagara ndikufara
makey epagate akamachinja"

"Yaaa ndokugona manje akanetsa


undiudze"

Ndakabva ndananga kuroom kwaJane


ndikamuona akarara.Ndakatora foni
yake ndikaona ine password
pawallpaper panga paina
Lee.Ndakamupa kambama akamuka
zvekuvhunduka.

"Aaah mandivhiringa hope dzangu


dzikunaka tete ko mandivigirawo
mascones aya here" said Jane.

" handisi tete vako ndauya kukuudza


kuti mazuva ako ave pedyo ekubva
pano"

"As long ndine mwana waLee ari


mudumbu andibve pano"
"Dai isiri nyaya yenhumbu
ndaimbokubvisa dzungu madofo
monetsa"ndakadaro.

"Dofo inini here go and ask musikana


wese anodzidza pagirls kuti ndiri dofo
here"

"Andibvunze zvisina musoro"

"Futseki chibuda muno wakundibhowa


mwana wehure"

Ndakamupa mambama anganditi


mwana wehure.Akasimuka atanga
kudzorerawo fight yacho ikatanga.Lee
naHilda ndivo vakauya kuzobata.

"Anganditi mwana wehure inini manje"

"Futseki kamuroyi ibva pano" akadaro


Jane.Akabatwa huro naLee ndakaona
akutadza kufema Hilda ndiye
akazodzikamisa Lee.

"Ukaramba uchiita zvauri kuita pano


unobva wanzwa"said Lee.Jane anga
akuchema akabata huro yake yaanga
ambodzipwa
"Ngaatobva izvozvi nyarara hapana
chaunochema apa"ndakadaro.

"Chero mukadii pano handibve


zvekumhanya as long ndine mwana
waLee ari mudumbu" akadaro
akatanga kufamba kuenda
kubathroom.

Hilda anga atori busy kudya


hake.Ndakaenda kunogara pedyo naye
ndikataura naye.Ndakazoenda kumba
kwakutosviba ndikasvika mama
vachiverenga bible ravo.
*LEEROY*

Vanhu vazhinji vaida ndidzinge Jane


pamba,asi ndakaona kuti
ndikamudzinga ndine ndabhaiza
aigona kuzonyepa kumapurisa kuti
ndikumurova ndikasungwa.Jeri racho
harizonakidze ndaigaya kumutsvagira
ka1room paanozvara zvinenge zviri
nani kana mwana ari wangu.

Ndakakumbira mainini Elena


ruregerero vakati vaizondiregerera
kana ndichinge ndabvisa Jane
pamba.Mainini vangu vanga vakaoma
musoro vakabva vaenda kunogara
pana sis vake.Pagate pakaita knock
pakapinda Kevie Mtetwa mkoma vana
Hilda.Kevie aiva abroad achiita degree
rake.Hanzvadzi dzacho dzakamhanyira
mkoma vavo ndakaramba ndakatyora
hangu.

Kevie akauya pandiri akandipa


chibhakera mudumbu ndikadonha pasi
ndichiyuwira nemarwadzi.Akatanga
kupopota Hilda ndiye akazouya kubata
dai zvisirizvo ndaifa.Kevie ndaimuziva
kubva kuchikoro maoko aimira.Munhu
aida mafaro too much asi aisada
kugumburwa hake.

"Une shuwa ungamitisa hanzvadzi


yangu kuisa pabarika ndakanzwa kuti
uri kumushungurudza unozviitirei"
akadaro Kevie

"Mkoma Kevie huyai tigare pasi


titaurirane" said Hilda achinyengerera
mkoma vake.

"Iwe Hilda ndakatotsamwa dai ndanga


ndiri kuno usina kumitiswa matsaga
ava, zvekutambisirwa hanzvadzi
handidi hangu" akadaro Kevie.

"Rovai munhu ndafara madzoka sis


vaida kuuraiwa naJane musikana
waLee" akadaro Elena achiudza
mkoma vake zvese akawo kane
dzungu kari kushaya anokabvisa
dzungu chete.

"Hehehehede remember une hanzvadzi


iwe unonzwa sei kuti ndamitisa Cindy
ndomuisa pabarika apa usina kubvisira
hee pamusoro pazvo hure rako
rotsvaga mushonga kuda kuuraya
mwana waHilda heee iwe
hauchanzwisise"akadaro Kevie
akandipusha ndikadonha
pasi.Akandipa chibhakera hanzi ndoda
uziva vana vevanhu avatambiswi Hilda
ndiye akazobata.

"Chinokutadzisa kuroora chiii ooh


naMwari hanzvadzi yangu ikangoita
problem chete unondiona" akadaro
Kevie.

"Aripi Jane wacho musikana uyu


ndomuziva anonyepera kuita munhu
kwaye ari hure ,Lee vhura meso
wanzwa unaona kuti ukasashandisa
brain inofira kwako" akadaro Kevei
ndanga ndiri ziii zvangu.Kevie akatora
Elena vakabuda Hilda akasara
achiseka achibuda musodzi
akanditarisa.

"Saka unosekei ipapa ndatomunyara


Kevie"

"Ndikufara kuti my brother is back,


sorry daddy"

Takanzwa kuscreama mumba


ndikaona Jane
achirwadziwa.Ndakamutakura
ndikamuisa mumota ndikananga
kuchipatara.Akasvika akatorwa
nemanurse ndikasara panze
ndainamata kuti dai akapona
zvakanaka.Ndakagara kwenguva
doctor vakazobuda vachiti makorokoto
kwaita mwana musikana
ndakanyemwerera nemufaro.Ndakanzi
ndimbomira papera kanguva
ndikatarisa kamwana
ndikanyemwerera nemufaro anga
azondifadza apa .

Pane zvimwe zvisingabvunzwe


ndakatoona ndega kuti mwana wangu
uyu.Jane anga akanditarisa ndaiona
ainzwa marwadzo.Ndakabva ndafonera
mai vangu naCindy kuti kwaita
muzukuru ndaida kumupa zita ramai
vangu.Smile yaisvika kugotsi apa Jane
azondigonera I'm now a father.

_Mwana waLee here uyu_

_Mwana uyu haazobatanidze Jane


naLee here_

Sorry nekuita pfupi ndanga ndiri busy

*THANKS NEMACOMMENTS*
*WATCH OUT FOR CHAPTER 48*
[11/1, 11:02 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

https://chat.whatsapp.com/IF8dZoMaq
Wz0danrDXdg3y

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587
*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 48*

*#LEEROY#*

Mama naCindy avana kuuya


pandakavafonera zvakandibhowa saka
sei vachivenga mwana asina
nemhaka.Jane akaita tumazuva
muchipatara ndaiuya kumuona zuva
nezuva zvemaDNA test ndakazviisa
paside.

Jane akabuda ndikaenda naye kumba


ndainzwa kufara.Jane ndamutsvagira
chikafu chiri light ndicho chaimbodya
panguva iyi.Hilda aiswera achidya
nekurara asi madyiro aiita so kunga
nguruva aidya share yevanhu
vatatu.Nhaka gore rino tichazvarirwa
mwana akasimba mugiant.

"Saka mwana unoda kunzi ani"


akabvunza Jane.Panguva iyi Hilda
anga akagara pasofa achidya chingwa
nedrink rainwa aigona kutopedza loaf
ega mirai muone.

"Ndomupa zita ramai vangu"

"Aaah ivo vasingamude vakatadza


kuuya kuona muzukuru wavo"

"Mira ndichazonotaura navo kuti


vanoti kudii"

"Okay thanks Lee pano tichapedzerwa


chikafu nambuya avo chete madyiro
ari kuita haasi emunhu ari normal"
akadaro Jane.
"Inhumbu iri kumudaro haadyise uyo"

"Ini ndanga ndinayo nhumbu ndaidii


kudyisawo musanyepere nhumbu icho
chikara ungatamba nemunhu
akambofudza mombe"akadaro Jane
achiseka.Ndakatarisa Hilda ndikaona
akutopedza loaf riya aisambogaya
zvataitaura.

Ndakachinja hembe Hilda akatevera


anga aguta manje.Hilda akati ndoda
kuendawo ndikamuti handei ndaida
kunoona moms.
Ndakasvika mai vangu vachiona
TV.Munhu mukuru kusanyara kuswera
akagarira TV achitadza kuuya kuona
muzukuru.

"Mama handina kukufonerei kuti


maane muzukuru sei musina kuuya"
ndakadaro.

"Andisati ndane muzukuru wangu


achiri mudumbu haasati azvarwa"

"Chero mukavenga mwana wangu


hazvichinji angori muzukuru wenyu,
muri kufunga kuti haasi wangu here
handei munomuona mega kuti
akafanana nani"

"Handina kana shungu


yekumuona,muroora wangu chikafu
chirimo enda unotora udye muzukuru
wangu chaiye abude akasimba"
vakadaro mai vangu.Hilda dzakapinda
mukitchen dzikatora nyama chete
kudya.

"Ndoda kupa mwana wangu zita renyu


chete"
"Zita rangu siyana naro Lee unaona
kuti zvauri kuita izvi zvichakupinza
muna taisireva,wakaita maDNA test
here"

"Mama apana need yekuita maDNA


test mwana akafanana neni uyu dai
mamuona maizvibvuma"

"Hausiwe wakandiudza kuti akarepwa


naClever ukamuona futi akarara
naStan here mwana achiri mudiki uyu
usati akafanana newe paanokura
uchaona kuti hapana waakafanana
naye kumhuri kwedu inogona
inhodzerwa" vakadaro mai vangu.Hilda
anga atova busy kutamba magame
pafoni yaAmwene vake.

"Whatever mwana wangu ndomuda


handitereri ngano dzenyu" ndakaona
ndapihwa mbama.

"Zvekudairwa nemwana wandakazvara


andidi unozviitira kumba kwako kwete
pano wanzwa" vakadaro mai
vangu.Ndakabva ndabuda Hilda
akasara hake.Ndakazonoswera
nemwana wangu.

"Mwana anonzi Lisha" ndakadaro.


"Wow rakanaka asi mama varamba
nezita ravo"

"Ehe ndoshaya kuti vakavengerei


mwana wangu"

"Mai vaya vanenge vanoroya chete


ndakavaona hangu regai varambwe
nemurume"

"Jane ndinokurova wanzwa usina


nyaya nyarara"
Haana kuita nharo akavhara muromo
wake.Cindy naHilda vakabva
vasvikawo nekuita noise mumba
yakamutsa Lisha akatanga kuchema.

"Hey asikana madiii mabuda kunoitira


noise kunze mamutsa mwana"
ndakadaro.

"Hooo sorry hatina kuziva aripi mwana


wacho ndimuonewo zvaakaita"akadaro
Cindy akatora Hilda vakaenda muroom
maJane vakasvika kutirisa mwana.

"Makoti waona zvandaona here rega


ndinyarare hangu" akadaro Cindy.

"Ndazviona hangu tete"

"Vegodo amushaye chekutaura budait


muno"akadaro Jane.Ini ndakashaya
kuti vaionei ndakatarisa asi apana
chandakaona ndakaona kuti igodo
chete.

"Ko Jane wakamutsvagira pekugara


here" said Cindy.

"Ane mwana wangu hakuna


kwaanoenda anogara pano"

Cindy akatora hembe nemabag


akazvibudisa kunze kwegate.Akadzoka
akatora mwana akanomusiya kunze
kwegate Jane akatevera mwana
wake.Pakadzoka Cindy achida kutora
zvasara ndakamudzipa ndakamutsikira
kumadziro zvekuti anga abudisa ziso
zvekutadza kufema.

"Andidi munhu ane dzungu unoda


kuzviita ani pano huh"ndakadaro.
"Lee mhani unouraya tete vangu
usadaro"said Hilda.

"Hilda gara pasi unenge ndiwe watuma


idzi kuti dziibudise zvinhu
zvaJane"ndakadaro Hilda akandiruma
ruoko rwanga rwakabata
Cindy.Ndakasiya Cindy ndikapa Hilda
mbama akabuda ropa mukanwa
akagara pasi akatanga
kuchema.Akatora cup yeglass patable
achida kunditema nayo akabatwa
namkoma vake vakapinda.Kelvin
akaona sis vake vaine ropa pamalips
akapukuta misodzi yehanzvadzi yake.
Kevie akauya pandiri akandipa
mambama ari strong akatanga
kundihoma mumusoro.Ndakaona kuti
aindijairira ndakatanga kudzorerawo
iwe zvandakazoitwa zvacho.Cindy
kutosapota Kevie hanzi rovai munhu
Hilda anga akatarisa pasi.Jane ndiye
akapinda achibata paanga achipinza
mabag ake.

"Iwe hure usapinde pausingakwane


mabag iwayo ngaagare abuda ndisati
ndatangana newe" akadaro Kevie aita
kunga akabhema maitiro aita ziso
rakatsvuka.Hilda naCindy vakabudisa
zvinhu zvaJane kunze iye Jane
akapopota achituka Kevie.Kevie
nehasha akapa Jane mbama akadona
pasi lucky mwana anga ari pasofa.

"Unofira mumaoko angu iwe hure


andidi kukuona pano"

"Nhasi unorara mujeri ndoda


kukusungisa chete haunyari kuputsa
imba yedu" akadaro Jane.Akapihwa
imwe mbama Hilda ndiye akazobata
mkoma vake.

"Enda unondisungisa mira ndikupe


number dzepolice asi unaona kuti
ndiwe unogona kusungwa nenyaya
yemushonga iya" akadaro Kevie
akabudisa number akapa Jane.Kevie
aitemba kuti baba vacho mukuru
wemapurisa ndosaka aiita zvaanoda
nhai.Jane akabudiswa panze naCindy
pamwe chete nemwana wake.

Kevie akanditora akaenda neni kumba


kwamai vangu ndakashaya kuti aida
kuedza kudii.Hilda naCindy vakatevera
kumashure nemota nekuti ini ndanga
ndaenda neyaKevie.Akasvika
achindikanda pamberi pamai vangu.

"Ndauyawo mhamha ndofunga


mondiziva batai mwana wenyu uyu
anofira mumaoko angu zvaari kuita
andizvide kana ka1 kana atadza
kuchinja hunhu hwake anofira mujeri
muri kuzvinzwa asi ndatomunyara
semunhu wandakadzidza naye"

"Aita sei mwana wangu ndiudze"

"Ndakasvika achirova Hilda


munozviziva kuti kurova munhu ane
nhumbu imhosva hakasi kekutanga
aka ndakanzwa kuti anobata hanzvadzi
yangu nekuseri kweruoko mune shuwa
munomitisa mwana wamai vangu
mapedza hamuchabvusi kana padiki
heee ini andide hangu kunzwa zvisina
basa tsiurai mwana wenyu nguva
iripo" akadaro Kevie.
"Ummm sorry mwanangu nezvaitika
wagona wamutsika dai wanyatsa
kumurova chaiko haanzwi uyu Hilda
usatya ndichataura naye Lee achinje
thanks nekunzwisisa"said mai
vangu.Kevie akabuda naHilda ameno
zvaakataura naye akabva aenda
hake.Hilda akadzoka achigara paside
namama.

"Lee uri kuona wakushooresa inini


manje wairovei Hilda hee dai
akusungisa haunzwe"
"Mhamha anga akandidzipa bhinya
renyu izvozvi huro yangu ikurwadza"
said Cindy.Pfungwa dzaigaya kuti Jane
adzingwa achadiii.Ndakasiya
ndakumbira ruregerero kumunhu
wese.Vanhu vakandiregerera
ndikabuda kunotsvagira Jane imba
yekuroja ndakabva ndaiwana 3rooms.

*HILDA*

Lee anga achinja zvandisina


kunzwisisa.Akazotsvagira Jane
kwekugara anga anzi naKevie
ukaramba uchiita chibharanzi uchafira
mujeri.Lee anga akungobatika
manheru chete ukamubvunza aiti
ndanga ndaenda kunoona
mwana.Anga akuda mwana kupfuura
inini.

Masikati ndaiswera kumba


kwavamwene.Ndakasangana namai
vangu ndichibva kwamai Lee.Mai
vangu vanga vari kusimba
havangatadzi ivo vaidya vakagara
zvavo.Ndakavaudza nhamo dzangu
dzese.

"Mama pandiri zvaramba zvekuroorwa


ndakuda kudzoka hangu kumba"

"Wakuona kukukosha kwemashoko


angu andaikuudza mumarriage mune
maups and down zvinoda kushonga
dzimwe nguva varume vanombo
behaver kunga dovi"

"Mama zvandiremera
andichazvikwanisa ndibatsireiwo
makazvigona sei pamakatanga"

"Problem yako yandakaona wakaneta


pakunamata ndosaka uchikurirwa
nasatan,kumba kwangu andidi
kukuona ndiwe wakazvida patakuudza
waiti tinopenga here pfugama unamate
zvinhu zvinochinja"

Vakandisimbisa mama ndakaona


vaitaura chokwadi ndanga ndakaneta
paminamato.Ndakasvika kumba
ndikazvibikira chikafu changu
ndikadya.Ndakarara ndakanzwa
husimbe kwekugeza ndakamuka nguva
dzakasvika Lee aitonhuwa doro.

"Asi Lee doro iri harikubvume ini


andidi hangu unwe"

"Oooh chimukadzi changu mira


ndibvise hembe ndikupe zvauri kuda"
akadaro Lee achitobvisa trouse rake.

"Andidi hangu siyana neni" ndakadaro


ndichibuda negumbezi rangu
ndikanorara pasofa.

Ndakamuka makuseni ndikarova


kaheavy prayer.Ndapedza ndakabika
sadza nemufushwa wenyevhe
wandakapihwa kumusha
nagogo.Ndakazvipakurira zigomo
resadza ndikaritsika zvainaka sei
mufushwa ndaufarira.Ndaiti
ndichinwira mvura ndakaridzikisa rese.
Zvawakupera mufushwa wacho
ndichaonepi.Lee akazomuka zuva
rabuda akaenda kunogeza akapinda
mukitchen akazvibikira tea yake
akanwa nechingwa chine mazai
pakati.Apedza akauya kumira pamberi
pangu akanditarisa.

"Wakanditarisirei"

"Watadza kundimutsawo pawanga


uchinamata"

"Wadii kumuka wega wanamatawo"


"Hilda enda unopfeka hembe
dzandaisa pabed ndoda kubuda newe"
said Lee.

"Handidi ini"

"My love usadaro ndokutengera


yoghurt" ndakabva ndaenda
ndichimhanya.Yoghurt ndaiidawo
zvekuti bheeee.Ndakachinja tanga
takamecha naLee kunga vanhu veband
takapinda mutown.

Takapinda mune imwe building pane


imwe office yanga ine
murungu.Vakamhoresana, Lee
akandindi introduca ivo vakandipa
mamwe mapaper vachiti ndisaine
paper.Lee akazondiudzs kuti atenga
mashop maviri kuna Mr Kolav.Imwe
yacho ndiyo inotengesa hembe kunova
kuri kushanda Tasha imwe yacho
yaitengesa majewellary
nezvimwevo.Mr Kolav ndipo
pandakaona kuti vaive sponsor waLee
ndposhaya sei asina
kumbondiudzawo.

"Wadiii waisa muzita rako Lee"


"Hilda ukunonoka toda kubuda isu"
ndakasaina misodzi yemufaro
ichibuda.

"Your wife is young and so beautiful"


said Mr Kolav.

Takabva tabuda kuenda kumashops


acho.Tasha anga asipo anga aendesa
order yeimwe customer.Ndakatarisa
ndikaona zvinhu zvakaringana ndikati
kuna Lee vanhu vawedzerwe mari
haana kupikisa hake.Takaenda
ndikanotengerwa mayoghurt
ndikamaisa mumota ndaida kuzoisa
mufridge ndizorova
everyday.Takasvika kumba tikaona
Jane akagara pagate pedu akabata
mwana wake.

"Ko Jane uri kudei" akabvunza Lee.

"Ndauya kuona iwewe baba Lisha sei


usina kuuya nhasi"

"Ndanga ndiri busy nemkadzi wangu


remember mkadzi wangu anodawo
nguva neni"

"Saka ndiani akakosha Lisha naHilda


uyu"
"Jane andidi zvenharo newe kana
usina nyaya ibva pano"

"Ndipo mari ndine gumberi randikuda


kutenga"

"Inga ndakasiya ndatenga zvese wani"


said Lee.

"Ndaona rimwe rakanaka ndoda


kutengera Lisha" akadaro Jane
ndakazviona kuti ainyepa mari iyi pane
zvayaida kushandiswa zvisina
kururama chete,Lee akamupa
yakawanda akati usazondinetse
futi.Akati mari iyoyo unofana kupedza
mwedzi nayo.

Jane akanditarisa neziso reruvengo


akabva arova pasi.Takapindaumumba
ndikabika tikadya tikabva tarara
zvedu.Pafoni palee pakapinda call
yaibva kuna Jane achiti mwana ari
kuchema ari kuramba kunyarara.

Lee akabva abuda ndikasara


ndikapfugama kunamata.Ndakanamata
zvakanyanya ndikabva ndarara.Lee
haana kuzodzoka akararako.Makuseni
ndakamuka kuita prayer yangu
ndichibuda musodzi.Pandainamata
ndaisvika pandaidzamirwa ndizvo
zvaizoita ndibude
musodzi.Ndakapedza ndikageza
ndikatora yoghurt yangu ndikanogara
panze ndakamirira kudzoka
kwaLee.Masikati akasvika asati
angodzoka foni yake aisadaira dai
ndaiziva kuri kuroja Jane
ndakatevera.Mkoma vangu naElena
vakabva vasvika vaona ndichichema
ndanga ndakunyanya kufungisisa.

_sei Lee asina kudzoka_

_Lisha mwana waLee here_


Drop your comments please

*WATCH OUT FOR CHAPTER 49*


[11/1, 11:02 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

https://chat.whatsapp.com/IF8dZoMaq
Wz0danrDXdg3y

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 49*

*#LEEROY#*

Ndakasvika pamba paJane ndikaona


mwana akatorara haasi
kutochema.Jane anenge
anotombopenga chete akasimuka
kunopakura chikafu akaisa pamberi
pangu.Ndakasimudza Lisha kakatanga
kuchema asi pakakabatwa namai
vacho kakabva
kanyarara.Zvakandinetsa sei pese
pandoda kukabata kanochema kuti
hakasi kamwana kangu aah no
ndozvoita vana vachiri vadiki.

"Jane zvawaita andina kuzvifarira


izvozvi ndasiya mkadzi wangu ega"

"Waida ndidii usina kuuya ndabika


favourite food yako mira ndikugezese
maoko udye" akadaro achida
kundigezesa maoko.Asi ndakanzwa
kuguta pandakatarisa chikafu chacho
ameno chiii uhandisi kushoora kuti
chakatadza kubikwa aiwa.

"Thanks wanga wagona asi


ndakaguta"

"Ba Lisha usadaro ingodya chishoma


wosiya hako ndoda unzwe ndobika
sei"

"Ndati ndakaguta iwe"


Ndakabva ndabuda ndanga ndakunzwa
kubhoekana apa ndainzwa
hope.Ndakaisa foni yangu pasilent
ndikaikanda kuback seat.Ndakaridza
music volume yakadzikira ndakamira
pamba paJane.Ameno hope
dzakazondibata sei mumota
imomo.Ndakamuka kwatoedza
pakuenda kumba ndakapfuura
nepamba paWaya.Ndikamuona achida
kutobudawo.

"Zvandaida zvaita ndanga ndichida


kutouya kumba kwako" akadaro Waya.

"Aha kunodiii"
"

"Paita race randoda upinde kuKadoma


ndakatoisa mari hobho pauri I know
unowina vanhu vakawanda vakuda
kutoona race renyu"

"Mira nditange ndanoona mkadzi


wangu ndinzwe anoti kudiii"

"Mkadzi wangu ndomuziva haadi


kukushaya anogona kuti usaenda
ngatiende izvozvi tokurumidza
kudzoka"
Ndakanotarisa kit yangu
yekumhanyisa kuti irimo here
kubhuti.Ndakaona irimo handina
kuibvisa zuva riya randakabva
kuStadium kunomhanya.Takatsika
mota takananga Kadoma.Waya ndiye
aindipa madirection eArea rataienda
kunomhanya takasvika paground
pacho pakazara vanhu vachiita
zvekumhanya izvi.

Ndakapinda muground ndikamboita


kawarm up kangu ndikazopinda parace
neboys racho raizviita
rinomhanya.Pakanzi *GO*
takasimukirana ndikavasiya vese asi
vakati ndatanga kusimuka
ndozvinobhowera marace emari
ndosaka ndisingadi kumamhanya
hangu apa ndakangoitira Waya anga
abvisa mari yake.Takadzoka futi this
time ndakati ndinovasiya vachitanga
kusimuka ndozovatevera ndakaita
sekudaro ndikavasiya futi.Asi ndaiona
hangu speed yangu yati dzikirei
zvishoma hakusi kupedzwa nana Hilda
here uku.

Takaenda kumba Waya awina mari


yakawanda akandipawo imwe
yacho.Takapinda mutown
ndikatengera madam tumanice
twonaka.Waya ndakamusiya pamba
pake ndikaenda kwangu.Ndakasvika
kamukadzi kangu kakarara pasofa
pamatama panga pakadhinda
misodzi.Ndakamumutsa akanditarisa
akasunga face kuratidza kuti
akatotsamwa big time.

"Sorry Hilda ndanonoka kuuya ndanga


ndiri kuKadoma"

"Saka ndizvo zvakutadzisa kudaira


macalls angu mkoma vangu
vakufonera ukatadza kudaira futi
ukundinyepera wanga wakarara
naJane" akadaro
Hilda.Ndakanopfugama pamberi pake
ndichinyatsa kumutsanangurira
chokwadi akazonzwisisa pakaona
mavideo angu mufoni make asendwa
naWaya achiti sorry nekukubira
murume wenyu mainini ndini ndanga
ndinaye.Ndiko kunzwisisa kwakaita
Waya akaita kunga afemerwa kwaari
kuti tiri kutadza kupindirana.

"Wanga wadya here mkadzi wangu"


ndakadaro ndichimupa zvandanga
ndamutengera.

"Handina waida ndidye ndisingazive


uripi here"said Hilda.Ndakasimuka
ndikanobika munhu akateverawo.Akati
bika sadza nemufushwa ndiwo wandiri
kuda nyama yako inoshata.Mufushwa
ndaisauda ini asi apana
zvandaikwanisa kuita toita zvataura
madam.Ndakabika sadza racho iye
akati rega ndibike mufushwa wangu
ndega.Akabika ega
achinyemwerera.Pakupakura chiona
zisadza raakazviira share yevanhu
vaviri kana vatatu.Ndakaseka ndega.

"Ukundiseka ndakutsamwira ini"

"Sorry my love handisi kuseka iwewe"

"Hauna kutenga yoghurt nei"


"Inga irimo mufridge yandakatenga
zuva riya"

"Yapera nhasi masikati" akadaro


munoziva ndakapererwa mawandiro
ayanga yakaita.Takadya sadza redu
ndaifunga rake achasiya asi akapedza
rese akasiya plate yachena.

"Lee haugoni kubika sadza iwewe"

"Inga rainaka wani bbe"

"Harina kunzwira mugoti iri ndangodya


yangu nekuti ndanga ndane nzara
unaenda kunoitiswa malesson ekubika
natete Cindy"

"Ndini ndakadzidzisa Cindy wacho"

"Kamurume kangu kunyepa iiih tete


vakadzidziswa namhamha" akadaro
Hilda anga agutisa zvekuti akatonzwa
husimbe hwekusimuka paanga
akagara.

"Ungabva wanditi kamurume here"

"Saka zvotsamwisa here daddy"


Ndakarongedza patable tikambogara
tichitaura nyaya.Tikazoenda kumba
kwana mama ndakasvika vari kudiridza
kagarden kavo kaiva kuseri
kwemba.Takapinda mumba nekuti
Hilda aida zvekugara pasi.Akagara
pasofa pedyo namama.

"Mama I'm sorry nezvandakaita paya"


ndakadaro.

"Uchida ndikuregerere handei tinoita


maDNA test pakamwana kaJane"
vakadaro mai vangu.Hilda akabva
anditarisa takambotora nguva
takatarisana akabva asimaira.

"Okay regai ndifonere Jane auye kuno"

Ndakafonera Jane akatouya akabereka


kamwana kake.Paakapinda apana
akamuudza zvemaDNA akangonzi
pinda mumota namama.Tese takapinda
tikananga kuchipatara.Jane akabvunza
kuti tauya kudiii zvikanzi namama
tauya kuti mwana aongorerwe nevana
chiremba kuti mutano here.Jane haana
kuzotaura zvakawanda takapinda
zvinoitwa zvikaita zvikanzi nadoctor
mouya muchitora maresult after 3
days.Takadzokeera kumba Jane
akafunga kuti akufarirwa
namama.Ndakanyatsa kutarisa mwana
ndikaona pasina waakafanana naye
kufamily kwedu.

After 3 days mama ndivo vakanotora


maresult vakati munhu wese ngaave
aripo.Cindy haana kutoenda kuchikoro
munhu wese anga aripo
manje.Ndaisatoziva maresult acho
akamira sei ndaiva nechidokwa dokwa
chekuda kunzwa.

"Jane paya takanoita maDNA test aya


ndiwo maresult acho"said mama.
"Haaaa pakanaka nekuti mwana agara
ari waLee" akadaro.Mama vakaverenga
maresult acho ndikatadza kuzvitambira
ndikaverenga ndega.Munhu wese
akaverenga ega akazvionera ndakaona
Jane akabudisa misodzi.

"Doctor vanenge vaita mistake or mai


Lee vatenga doctor vagara vakavenga
mwana wangu"akadaro Jane akatarisa
kabepa kacho.

"Mwana ini ndakazviona haasi waLee


akada kufanana naMai Mike sis
vaClever handina kuda kuzvitaura
hangu even Hilda akazvionawo"
akadaro Cindy.Ndakatarisa mwana
ndikaona zveshuwa anga akatofanana
nasis vaClever.

"Sis vaClever ndevapi ivavo iye Clever


ainditi haana hama akaraswa achiri
mudiki" akadaro Jane.

"Wakanyeperwa vanozvarwa vari 7 mai


vaClever vachiriko asi baba vacho
ndivo vakashaya makore apfuura"
akadaro Hilda.

"Sorry kutaura chokwadi ndaisaziva


kuti pandakarara naLee ndanga ndane
nhumbu yaClever"

"Futseki waizviziva wakaita uchida


kuda kundichengetesa mwana asiri
wangu" ndakadaro.

"Aiwa pamberi paMwari vakasika


denga nenyika ndanga ndisingazvizive
kungoti ndaikurwarira kubva kare
ndaida kuita mkadzi wake sorry paya
ndakarara newe ndichida wakadhakwa
asi kutaura chokwadi ndokuda
usandidzingawo" akadaro Jane.

Akabudiswa panze naCindy nekuti


hasha dzandanga ndinadzo panguva
iyi ndaigona kumuuraya.Ndakatsvaga
UD inonotakura zvinhu zvangu zviri
kwaJane.Ndakatora zvose kutangira
kuchikafu mukasara muri ground
chandakasiya ihembe dzemwana
wake.Chikafu chacho ndakachipa
mastreet kids.Zvimwe zvinhu
ndakazviendesa kumba kwangu ndaida
kuzozvitengesa.Jane anga andigura
kunorira anoda kuvhiringa rudo
rwangu naHilda kwatakabva kure
nemudiwa wangu.Jane akatevera
pamba pangu achichema anga
atodzingwa futi nalandlord.

"Lee sorry hako ndaisaziva kutaura


chokwadi kuti mwana Clever sorry
ndibatsirewo andina kwekuenda mama
namkoma vangu avadi kundiona
kumba" akadaro apfugama Jane.

"Usada kundipfimba pfungwa wanzwa


zvese waizviziva ukada kufarisa
ndotora hembe dzekamwana kako
ukatanga kutenga dzimwe wega"
ndakadaro ndikavhara gate
rangu.Anoti haana kwekuenda
ngaende kumusha kune hama
dzaClever onogara ikoko pamba pangu
andidi kumuona.Ndiye anga akuita kuti
ndivenge mukadzi wangu asina
chitema nemunhu.
Ndakafonera Sekuru
ndichivatsanangurira mamiriro akaita
zvinhu.Ndakataura nyaya yekuroora
vakati ivo vaizomira pachinzvimbo
chamudhara.Mazuva akati fambe
ndikazonobvisira kwana Hilda asi
ndakamboona nhamo naKevie.Zvese
izvi zvakapera ndanga ndagadzira
ukama pakati pedu ndakaona mufaro
pachiso chaHilda.

"Izvozvi pfungwa dzako dzadzoka


panzvimbo dzanga dzakarasika paya
ndokuti mukwasha wangu
uku"akadaro Kevie.
"Tsano haa makaoma ndakabvuma
hangu"

"Dai ndisina kudaro hanzvadzi yangu


yaifa neBP ndoda muchato apa tiri
kunzwanana ka"akadaro Kevie.

"Don't worry muchato toita hedu"

Takabuda natsano kuenda pabhawa


vainwa.Ndakashaya kuti akatanga
kunwa rini iye kuchikoro anga
asinganwi.Chandakafarira ainwa kwete
zviya zvekusvika pakudhakwa
zvakanyanya.

"Is that true kuti iwe naHilda


makatanga makavengana"

"Yaaa zvisingaite tanga tisingaonani"

"That's hatred then love" said Kevie.

Natsano wangu tanga takupindirana


asi aingoti chengeta mwana wamai
wangu zvakanaka.Ndakazonzi chienda
mkadzi ari ega.Ndakaenda ndikasvika
Hilda achinamata ndaiona aitenda
Mwari nezvandanga ndaita.

*HILDA*

Mwari variko kudenga ndakazviona


inini.Mhinduro inogona kunonoka
kuuya asi usarasw tariro inouya
chete.Ndainzwa kufara kuti ndini here
Hilda ndabvisirwa mufaro wacho
wanga wakawedzerwa.Chero vabereki
vangu ndakaona mufaro pachiso
chavo.Lee akatopromisa muchato kana
mwana wedu ari mudumbu ati
kurei.Akaudza vabereki vangu kuti
musatya Hilda achapedzisa chikoro
chake ndakaona mama vakufara.

Mkoma Kevie naLee vanga


vakupindirana zvisingaite.Lee
ndakamuudza kuti andidi hangu ubate
chinhu chonzi doro akabvuma
hake.Jane aimboita nguva dzaiuya
pamba pedu achikumbira mari or
chikafu ndakamuudza kuti pano
apabatsirwe vanhu haana kuzotsikapo
futi. Ndakabuda pamba ndikaenda
kunoona Tasha ndanga ndane nguva
ndisingaonani naye.
"My boss hw are you" akadaro Tasha.

"Call me mai Maviza Jnr kwete izvo"

"Okay ndanga ndakusuwai Mai


Maviza" said Tasha.

"Kana neni ndosaka ndauya kumba


haufoni nei inga uri kutsvukira
wakudzokera kamiviri kako kekudhara"
ndakadaro ndakamutarisa.

"Haaa Hilda usatsvinya hako mvura


dzekuno dzinenge dzine soda"said
Tasha.

"Mwari vari kukuchengeta ndafara


hangu aripi Maka"

"Maka ari kuchikoro ndichanomutora


kuma5 pandochaisa" said Tasha.

"Zvakanaka izvi ndakuona rega


ndiende ndabuda ndisina kuudza
murume wangu"ndakadaro.

"Thanks nekundifungawo madam


boss"
Ndakaenda kumba ndichifamba low
low zvangu.Ndakasvika Lee
achinditsvaga paakandiona akauya
akapfugama akakissa dumbu rangu.

"Haugari pasi wanga uripi ndakati chii


nenyaya yekufa wega"

"Sorry daddy ndanga ndasuwa Tasha


ini"

Foni yaLee yakarira anga ari Cindy


aifona.Akati baba vake vadzoka
naKundai kudzinga mama natete
cindy.Takaenda tese tikasvika baba
vacho vachipopota.Tete kundai kana
kumbondinyarawo.

"Tete munonyadzisa ndochii


chamunotiitira chimbofungai vanhu
vanoti kudii nezvamuri kuita"
ndakadaro.

"Handiraramire vanhu ini chero


zvamataura handinei nazvo" akadaro
Kundai akajambirwa naCindy akatanga
kurohwa.Ndakavatsika huro baba Lee
vakuda kuuya vakabatwa vakakandwa
kunze naLee.Tete takavatsika andina
kuvanzwira tsitsi mai lee vanga
vakurova revenge kuti vakamborohwa
last match.Takazobudisa tete vangu
vaibva vakubuda ropa mumhino.

"Pano amuna simba rekudzinga mai


vangu endai munogara kure uko uyo
Kundai ndatokunyara kuti waita tete
vemkadzi wangu chete otherwise
ndaida kukubvisa dzungu" akadaro
Lee.

"Iwewe mupfana une shuwa ungarova


mkadzi wangu ndoda kuenda kucourt
nenyaya iyi imba yangu iyo toda kuona
kunowira tsvimbo nedohwe" vakadaro
baLee vakapinda mumota mavo
vakarova pasi.Takadzokera mumba
mai Lee vanga vari kupopota
zvisingaite.

"Pano handibve ndoda kutozviona


ngaaende kucourt kwacho andina basa
nazvo" vakadaro mai Lee.

"Mhamha chinyararai apana


kwamunoenda tinomira nemi" akadaro
tete Cindy.

"Andimbonyarari baba vako


vandichindiitira matsvina akadai ndoda
kuzviona pano panoti inini" vanga
vagumbuka vamwene vangu
zvandakaona nemeso angu.Vakaramba
vachipopota ndakatanga kuchema
ndakavatarisa.

"Ko Hilda ukuchemei futi" akadaro


Cindy.

"Munoti ndiri kufara here mama vangu


vakatsamwa ndarwadziwa ini"

"Mhamha muri kuona inga ndati


chinyararai zvapera honai muroora
wenyu akutochema asi chii nhai"
akadaro Cindy.Mai Lee vakabva
vanyarara vakauya pandiri
vakandipukuta misodzi ndiko
kunyarara kwandakaita.Ndakatanga
kunzwa pain kuzasi kukabuda mvura.

Mai Lee vakaudza Lee anditakure


kuenda kuchipatara.Ndakamhanyiswa
kuchipatara pasina nguva tanga
tasvika.Tete Cindy vakasvikawo
nepreparation yavanga vanotora
kumba.Imi ndakarwadziwa ndaisaziva
kuti kuzvara kwakaoma
kudaro.Ndakademba ndirimo zvekuti
ndakatuka Lee kasingapere.

Ndakapona matwins mkomana


nemusikana.Ndakabuda musodzi
ndakatarisa twana twangu
twaichema.Team rakazopinda Lee
andichataure mufaro waanga
anawo.Kana vari vamwene vangu
vanga vari kufara vakatarisa vazukuru
vavo.

Ndakaita mazuva mashoma


muchipatara ndikabuda.Lee aindiitira
zvese even mai Lee vaiuya kumba
everyday vachindidzidzisa kuti vana
vanobatwa sei.Mai Lee dzimwe nguva
vaitorara pamba ndakaona kuti ndanga
ndavafadza.

"Hilda waunza mufaro muuhupenyu


hwangu ndoshaya kuti ndokutenda
nei"

"Daddy tendai Mwari ndiye aita mufaro


uwedzere mumba medu"

"Mazita evana tovapa api"

"Musikana ndoda kumupa zita


raAmwene vangu Anisha iwe chipawo
kamukomana aka" ndakadaro.

"Ummm Abisha naAnisha ari bhoo"


"Thought uchamupa rababa ini"

"Handipengi kusvika pakadaro ini kuti


azotodza mabasa avo"

Mai Lee vakafara vachinzwa kuti zita


ravo rapihwa kamuzukuru.Asi Abisha
ainetsa veduwee ndaisarara manheru
ukakapa mukaka kainwa asi ukakaisa
pasi kaibva katanga kuchema.Anisha
kanga kasinganyanyi
kunetsa.Vamwene vakati zviri kuita
Abisha ndizvo zvaiitwa naLee achiri
mudiki.
Lee aitopenga vana vakatengerwa
matoys vachiri vadiki.Gore rino
ndichaonda chete nekuyamwisa twana
twacho twainwa kunga twanga twane
gore twusinganwi.Apa panga pasina
akafanana neni vese vakafanana
naLee.KaAnisha ndiko kakada kutodza
vamwene.Mazuva akafamba Abisha
haana kumira kunetsa zvekuti
ndakagumisira ndatozvijaira ini.Mama
nadad vakauya vakaona vana vari
samama vaifara zvavo.Elena anga
akuti akabva kuchikoro aiuya achiona
twana.Lee aiwanza kubuda ameno
kwavaienda namkoma Kevie asi
chandaifarira aikurumidza kudzoka.Lee
akazosvika zuva rakudoka twana 2
twakarara akasvika kutwumutsa.
"Hey mukai dad vauya" akadaro Lee
akatumutsa.Akatanga kutamba natwo
idzo dziAbisha dzikatanga
kuchema.Akatakurwa naLee dzikabva
dzanyarara hadzo kungoda
kusimudzwa.Ndakasimudzwa
kaAnisha tikaenda kunogara kudinning
tichitaura nyaya naBaba2.

"Daddy apana akafananawo neni asi


hazvisi fair" ndakadaro.

"Hahaha ndakakuudza kuti vachabuda


vakafanana neni ukaita nharo don't
worry tikaita umwe anenge akafanana
newe"

"Aaah umwe futi ivavo vakwana


ndakarwadziwa kusvika pakuda kufa
naitwo twuvana utwu"

Ndakapa ba2 mwana ndikanobika


chikafu chemanheru.Ndapakura
ndikaisa patable tikatanga kudya Lee
aita achindikisa achindiudza madyiro
andaimboita ndine nhumbu yana2.
_ko baLee vachadzikamawo.here_

[11/1, 11:02 PM] Kobhinzo #2:


*HATRED THEN LOVE*

https://chat.whatsapp.com/IF8dZoMaq
Wz0danrDXdg3y

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587
*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*CHAPTER 50*

*#PETSO#*

Mwari vanoshamisa ndini here


ndakuva pedyo nekutenga stand
yangu.Hongu mari haisati yakwana asi
yanga yasara padiki kuti
ikwane.Ndanga ndakugona
kugadzirawo mota ko ndikatadza nei
ndaigara neshasha ndichiona zvese
zvaita boss Brendo.Mai vangu kupera
kwemwedzi ndaivatumira mari
negrocery.Moms ndakavatengera
mabhurera ndivo avanga vakutengesa
vanga vakutoonekerawo ndini uya
wekunzi rombe nhasi ndini.Ndinobva
ndarangarira kasong kaSoul Jah Love
kekuti ndini uya uya kainditiira
panguva iyi.

Cindy aisanyanya kubatika sezvo


mwana wechikoro.Boss vangu
vaigaroti uchatorerwa bbe iri
wakatarisa rova makumbo
iwe.Ndaisada kuputsa chitsidzo
chatakarangana nemudiwa wangu
ndaizomutora nemuchato.Cindy wacho
anga akazvibatawo aisanyanya kuda
zvekubatwa batwa muviri wake hanzi
ukandibata handizogoni
kuzvicontrolla.Taingogumira
mukukisana chete ndakazobata zamo
rake ndikaona rakamirwa kuti twii
ndikaziva kuti chimhandara.Cindy
anga andipengesa ndaimuda hangu
ndomumirira kusvika apedza chikoro
ndombobvisa pandinapo.

Ndakapinda mutown naboss vangu


tikaona Tasha aine kamwana kake
anga aita kabbe
chaiko.Ndakamboramba
ndakamutarisa ndichiti ndakanganisa
kuona haaa shuwa town inobvuma
vamwe vanhu anga asina kunaka
zvakanyanya asi shape yebody umm
handichataure.

"Hiiii hesi kani Petso" said Tasha.

"Ndiri bhoo long time asi wakugara


kuno"

"Ehe ndakushanda ini apa ndikubva


kunotora Maka kuchikoro" akadaro
Tasha ndakaona ziso raboss vangu
rakacheka chikavakashure chaTasha
shasha yanga yatapirirwa.

"Ndipe number dzako ndizotaura


newe" ndakadaro ndaiitira kuti
ndizopa boss vazodya ndivo vanoda
vakadzi.Tasha wacho akati haana foni
ndikati aisi problem ndiudze
madirections epaunogara akanditarisa
akarova serious.

"Uri kuda chiii"

"Madirections epaunogara ka ndoda


kuzokuona"
"Wandiona wozodiii nhai inga tatonana
wani ukuda kundiona sehure rako nhai
manje ndangwarawo byee rega
ndiende" akadaro akatanga kufamba
chiona mutaka ndakamedzerawo mate
apa.Asi ndakakurumidza kubvisa
pfungwa dzakaipa ndaisada kuzopa
Cindy BP regai ndidzikame andidi kuita
yekwaLee.Ndakadzoka mumota boss
vakati ndipe number dzaTasha
ndikavati izvozvi andina
andinyima.Boss vakarova mota low
low kutevera Tasha tikamuona
achipinda paimwe shop yanga
yakanaka.
"Kamwana aka kakabata hakana
murume here ndoda kutombokanzwa
chete" said Boss Brendo.

"Haaa ako kahure munoswera


makanzwa" ndakadaro kuti kunyepa
here ihure.

"Okay mira ndichakaitira plan manheru


touya tese asi unozosara mumota"

"Okay munongokati ndinokupa gauro


hakarambe ako"

"Hooo isu hatitambisi vana ava


handina kupusa sewe ukutadza
kukwira KaCindy uchazongwara waona
katorwa"

Ndakangoseka tikanotenga maparts


emota yataida kugadzira.Takadzoka
tikasota mota iya yanga iri yababa
vaCindy. Vanga vane musikana
akafanana naHilda ndikatoziva
ndohure ravo riya raitaurwa naCindy.

"Mudhara ndochii chawandipa ichi"


vakadaro boss Brendo vakatarisa mari
yavanga vapihwa nababa Cindy.
"Inga ndabhadhara ndakuenda"

"Mudhara ndakuudza kuti chii


wedzera mari iyi ndatotenga mamwe
maparts nemari yangu
wedzera"akadaro Boss.Baba Cindy
vanga vatori nenharo vakatanga
kujamuka vachiti usada
kundirobha.Boss semunhu ane hasha
vakapa baba Cindy chibhakera
chematsenga nzungu.Hure raBaba
Cindy ndiro rakazobvisa mari iya
ndokupera kwakaita nyaya.Boss
Brendo vanga vasina chamangwana
avana munhu wavaikwata vaitemba
mandimba avo aigara muSakubva.
Manheru akasvika tikaenda pashop
paya tikaenda kuseri kweshop
tikanoka pakagate kadiki.Tasha akauya
kuvhura door riya akamonera zambia
rake ndakahwanda ndaisada andione.

"Ko ndimi ani ndokubatsirai nei shop


yavharwa mouya mangwana" akadaro
Tasha.

"Ndauya kuona iwewe shaa nduda 1


night newe wakabatana ndakuona
mutown paya pawaitaura nemufana
wangu Patson" akadaro boss
akubhaiza kupinza zita rake.Tasha
achatofunga kuti ndini ndaudza boss
vangu kuti ihure.

"Hooo saka Patson ndiye akuudzai kuti


ndiri hure imi baba mukwane andidi
hangu zvisina basa get lost ndisati
ndadaidza guard ari kuseri uko"
akadaro Tasha.

"Usadaro bbe ndokupa cash


yakawanda Petso huya utaure
nemunhu uyu akubhaiza" vakadaro
boss vakundigezera.Tasha
akanditarisa akatenderedza maziso ake

"Petso ukwane wanzwa ndakuvenga


une shuwa unofamba uchiudza vanhu
kuti ndiri hure Mwari ave
newe"akadaro Tasha akadaida guard
ndiko kubva kwatakaita.

Takapinda mumota Boss vakatanga


zvavo kuputa fodya yavo.

"But paya mabhaiza dai musina


kupinza zita rangu"

"Waida ndidii munhu wacho aijamuka


haaa kane dzungu mira uyo
ndichamuwina chete ndombonzi ani
ini"
Ndakangoseka vakarova mota
vakananga pabhawa kunokecha
kamwe kahure
kechidiki.Ndakashamisika kuona baba
Cindy nehure ravo riya varimo
vakagara pacorna vachinwa
hwahwa.Hure ravo ranga richibhema
ndakambofunga kuti ndiHilda asi
ndakazoona kuti uyu ati kurei.Boss
vakanorova kamunhu kavo makumbo
tikabva tabaya paden.

*CINDY*
Dad vakapihwa peace order
pavakaendesa nyaya
kucourt.Vakadyiwa imba yanga iri
muzita ramoms ameno Lee akazviita
sei kuti iende muzita ravo pane
chitsotsi chaakaita naWaya chete.Dad
vanga vakatarisira kuwina kucourt asi
pakazoitika zvavanga vasina
kutarisira.Mama vanga vakunyanya
kuswera kwana2 haa vazukuru ava
vanodiwa.

Mazuva akafamba kuchikoro ndaienda


apana pandakarovha.Vakoma
vaindipfimba even mateachers asi
ndanga ndakazviudza kuti ndiri
waPatson.Ndaisava munhu anoda
zvinhu ndaisada kuita zvemashamwari
ndiri kuchikoro girls dzepafazh
dzainditi Mrs Holy.Rimwe zuva
ndichibva kuchikoro ndakasangana
naJane akabereka kamwana
kake.Akamira pamberi pangu
akandivharira road.

"Ayizve ini andisi Lee ndinokunobinha


iwe" ndakadaro.

"Sorry tete ndinoda mundibatsirewo"


akadaro achinyepera kunzwisa tsitsi.
"Handisi tete vako sorry handikwanise
kukubatsira" ndakadaro akabva abata
ruoko rwangu.

"Ndisiye iwe kani andisi kuzvida"


ndakadaro.Ndakatendeuka ndichida
kumuwaridza mbama ndikazonyara
kamwana kake kanga
kakanditarisa.Jane ndiye munhu
wandaisazofa ndakabatsira munhu
aida kubvisa nhumbu yaHilda.

"Kutaura chokwadi ndonzwa kunyara


zvakaitika azvisizvo zvandanga
ndakatarisira even nanhasi handisati
ndazvigamuchira kuti Lisha haasi
mwana waLee" akadaro Jane.

"Mukufamba kwenguva
uchazvitambira hake ndozvinoita
upenyu zvawaitsvaga wakazviwana"

"Ndoda utaure naHilda or Lee


vandiregerewo andina kwekuenda
izvozvi ndiri kumbogara kumba
kwefrent yangu akati mangwana
ndofana kunga ndane kwekuenda
sezvo vabereki vake vakudzoka ndoda
kumboita musikana webasa pamba
paLee taura naye"
"Jane ndaiva nechido chekuda
kukubatsira asi ndikafunga kuti iwewe
waida kuuraya vazukuru vamai vangu
ndorwadziwa kukuudza chokwadi
pasina kutenderera ndakakuvenga
andikwanise kukubatsira byee"
ndakadaro ndikatanga kufamba
ndichibhamba zvangu.

Ndakasvika pamba pasina munhu


ndikaziva mama vanga varikwaHilda
chete.Ivo vazukuru ava vaizodiwa
kwete zvekunyepa.Mama vakazodzoka
kwasviba zvavo vachiimba kanziyo
kekuchurch kwedu.
"Haaa ana 2 vapengesa umwe munhu"
ndakadaro.

"Ndisiye ndifare nevazukuru vangu


ndichiri mupenyu uchazozvinawo kana
wane vako vazukuru"

"Hehehede rega ndinyarare hangu


masiya vari sei vana 2"

"Vari bhoo haaa asi Abisha kunetsa


kuita zvaiita mkoma vako vachiri
mudiki"

"Aaah ko ini ndakakura ndichinetsa


here mhamha"

"Iwe wakakura wakanyararisa


waisanetsa ndoshaya zvokutaurisa
zvakabvepi' vakadaro mama vachiseka
zvavo.Ndizvo zvandaida kuona mama
vachiseka kwete zvamudhara zvekuda
kuvapa BP.

"Mama monyepa imimi anditaurisi,


mainini Elena ndivo vanotaurisa haaa
vaya vane nharo handisvike paya"
ndakadaro.

"Ahaha ko uda ndibike here


zvawakagara ipapo" vakadaro vanga
vatochinja nemaseconds iwayo munhu
atorova serious.

"Aaah mama munga marova serious


kudaro hamuna kubva mabikirwa
nemuroora wenyu here"

"Haaa Elena akapandutsa mwana


shuwa wakutaurisa mazuvano chii
chienda wobika ndakaneta ini rega
ndimboona news" vakadaro mama
vachibatidza TV vakaisa
paZTV.Ndakaenda kunobika zvangu
ndega ndakaisa maearphones
munzeve.
*HILDA*

Vamwene vaida vana vangu


zvandakafarira vaiuya everyday
vachivaona.Abisha ndaishaya kuti chii
chakamugara ainetsa mwana uyu
zvekuti kaAnisha kanga kava
kutevedzerawo.Abisha aida kugara
akabatwa ukamuisa pasi aitanga
kuchema.Husiku ndaisanyatsa
kumborara naivo ana 2.Baba vacho
vairara hope dzeumambo rimwe zuva
Abisha akatanga kuchema pakati
pehusiku zvekuti Anisha kanga
kakuchemawo.Ndakamuka ndikapa
Anisha mukaka kakabva karara.Asi
Abisha dzakaramba kurara ndikadziisa
pasi dzochema.Ndakatanga
kuchemawo kana vana vachinetsa
zvakadai inga zvakaoma.Ameno Lee
akamuka nguvai akaona misodz
yangu.

"Ko uri kuchemei Mai 2"

"Vana vako vakunetsa kunyanya


Abisha haasi kuda kuiswa pasi"
"Saka zvochemedza here mai 2"
akadaro Baba2 vachitora Abisha
kanga kakamuka.Akakabata
akanokaisa pana Anisha anga
akarara.Ameno Lee akamurarisa sei
haana kunetsa futi usiku uhwu
dzakazonetsa makuseni.

Weekand yakasvika Elena akauya


kunditora tikaenda kunoona
mama.Mama vakafara nekuuya
kwangu.Vakatamba nevazukuru vavo
vakabva varara.Mama vakatora bible
ravo vakatanga kundiraira
vachindidzidzisa kuti imba inobatwa
sei zvese nemurume zvimwe zvacho
ndainyara hangu.Vakavhura bible ravo
vakatanga kundiparidzira shoro
raMwari.

*Teerera shoko raMwari ufare.Mufaro


wechokwadi unobva pakufamba
kwatinoita mumutemo waMwari.Kana
tikadaro Jehovha achationa
setinofamba nenzira yakarurama.Kuva
vanhu vakarurama hazvirevi kuti
takakwana asi zvinoratidza kuti
tinoedza nepatinokwanisa napo kuita
zvodiwa naJehovha Mwari
vekumusoro kudenga*
*Noah akanga ari munhu asina mhosva
mumarudzi ake zvaaiva murume
akafamba naMwari
wechokwadi.Akatendeka nemhuri yake
vakapona pamafashamo nokuti
aitevera nzira yakataurwa
naMwari.Saizvozvo kupona kwedu
panoguma nyika ino kunobva
pakuchengeta zvakanaka zvirevo
zvaMwari tichiita zvaanoda.Jehovha
haazombofi akatisiya kana tichivaonga
nemoyo wakarurama uye tichiramba
tichichengeta mitemo yake*

"Thanks mhamha neshoko


ndanzwisisa ndichaedza kutevedzera
mirairo yaMwari" ndakadaro.
"Zvinoita mwanangu zvinhu zvaoma
pfugama wochema kuna Mwari vari
kudenga vakataura mushoko ravo kuti
chese chauchakumbira
mumunyengetero kana uchitenda
uchazviwana Matthew 21 vs 22" said
mama.

"Thanks my sweet mom u ar the best"

Twana 2 twakabva twamuka mama


vakatunamatira.Vakandipa
ndituyamwisa Abisha kuzodzikama
kunga kasinganetsi.
"Abisha akafanana nadaddy vake ako
kari cute kafanana nagogo vake kubva
pashaya akafanana nemi here"
akadaro Elena.

"Aaah iwe ndichaita akafanana neni or


ndiwe uchaita akafanana neni"

"Ndisiyei ini ndakafanana namai vangu


toita kunga matwins" akadaro Elena.

"Iwewe unopenga chete asi mhamha


mazuvano mukusimba aah"
"Ndingatadza kusimba ndichidya
ndakagara here baba vako vari
kundichengeta handishoori" vakadaro
.

"Mukati hasi mimba iyoyo" akadaro


Elena.

"Ndichakurova iwewe mimba unoiziva"


vakadaro mama Elena dzikatiza
ndidrama queen chaivo.Mama avana
nhumbu kungosimbawo havo Elena
aida kungovadenha chete.
Ndakaenda kumba kwasviba
ndikasvika baba2 vachiona
bhora.Ndakaisa Anisha panaDad
vacho ndikabereka Abisha
ndikanobika zvangu.Ndapedza
ndikanogara nadad musitting.

"Wasiya vari sei mama"

"Vari bhoo ndaswera ndichiparidzirwa


daddy"

"Inga zvakanaka mai2"


"Daddy pane ari kuknocka kugate"
ndakadaro.

Baba2 vakabuda ndikaona vapinda


naJane.Ndakaridza tsamwa Jane anga
akavhura ziso akatarisa vana vangu
kunga achavadya.

"Uyu ari kudei pano"

"Aaah Hilda vana vako vese here ava


une matwins" akadaro achitarisa vana
vangu ndakaridza tsamwa ndakatarisa
Lee.
"Jane ndokumbirawo ubude muno
please" ndakadaro.

"Hilda usadaro ndoda kutaura nemi"

"Ita mai2 iwe handichanzi Hilda"

"Okay ndoda mundinzwirewo tsitsi I


know ndakatadza asi kwaisava kuda
mafeelings andanga ndinawo kuna Lee
akazondipinza pama1 sorry zvenyu"

"Okay takuregerera chibuda"


ndakadaro.
"Mai2 ndinzwisiseiwo ndiiteiwo maid
wenyu andina kwekuenda
ndokumbirawo please" akadaro
apfugama pamberi pangu.

"Jane ndiri munhu anonamata ini


ndakakuregerera asi sorry
andikwanise kukuita maid wangu
chandinogona kukutaura kuti enda
kunamai Clever kumusha
vanokubatsira haungachengeti mwana
wega" ndakadaro
ndichimusimudza.Ndakamupa
madirection ekumba kwana Clever asi
mari hatina kumupa type iyi inogona
kutigadzira. Pakabuda Jane
ndakapakura chikafu ndikadya
nemurume wangu.Tapedza takaenda
kunorara zvedu tichitaura nyaya.

"Hilda ndoda kutsvaga maid


anokubatsira kuchengeta vana very
soon ndoda udzoke kuchikoro"

"Maid pamba paani andidi hangu


andina mwana anochengetwa neumwe
mukadzi zviri nani kutonovasiya
kwagogo"ndakadaro.

"Why usiri kuda maid ndikuitira iwe


uende kuchikoro"

"Andide hangu maid daddy


ndochengeta ndega vana vangu
ndozoenda kuchikoro vakura
ndinotovasiya kwagogo vavo
ndichivatora pandobva kuchikoro"
ndakadaro.Lee akangoseka achiti
ndotya kutorerwa ndakamutswinya
nzeve tikatanga kuita chikudo nadaddy
kusvika tirare.

drop your comments


*WATCH OUT FOR FINAL CHAPTER*
[11/1, 11:02 PM] Kobhinzo #2:
*HATRED THEN LOVE*

https://chat.whatsapp.com/IF8dZoMaq
Wz0danrDXdg3y

*_Written by King Lee_*


~Lee Marzy~
+263774206587

*_Edited by Melly_*
+263 78 450 7806

*FINAL CHAPTER 51*

*#LEEROY#*

Tsano vangu vaizviwanza pavasikana


apa.Vaiti handisati ndaona anodiwa
nemoyo wangu chavo vaingoitisa
vasikana vasiya.Ndaisavashoora
hangu ndakabvawo neko.Twana
twangu ndaitwuda zvisingaite twaikura
zvaindifadza.Abisha ndiye ainetsa
hake asi gogo vacho vaiti ndizvo
zvandaitawo ndichiri mudiki.Hilda
aisarara husiku ini dzimwe nguva
ndaimukawo.

Rimwe zuva natsano Kevie takasvika


kushop kwangu ndaivaratidza hangu
ndichivaudza kuti iri muzita
raHilda.Takabva kwaitengeswa
jewellary tikapinda maishanda
Tasha.Tasha wacho anga achinjawo
ndakaona Kevie ziso rake risisabve
pana Tasha.Tasha akandimhoresa
pamwe chete naKevie akadzoka achiita
basa rake.Takabva tabuda natsano
vaingocheuka vachitarisa Tasha kunga
vachadambuka mutsipa.Tasha anga
akupfekawo zvakatsiga dai kari kare
haaa ndaimuseva chete but ndababa
ini handichaite zvakapusa kudaro.

"Ko musikana uya anonzi ani


chakabatana wena" vakabvunza tsano.

"Anonzi Natasha but tomuti Tasha


hedu"
"Makazivirana kupi zvekusika
pakumupinza basa don't tell me
waimborova zvinhu" akabvunza Kevie.

"She was my girlfrent kudhara ndisati


ndakudanana namai2"

"Hooo chindipa number dzake


ndikumuda hangu"

"Mopihwa namai2 vanowirirana"

"Kundinyima number here okay


ndichaona mai2 vacho"

"Tarisai foni yangu handina but zivai


ane mwana musikana uyu"ndakadaro
ndichivapa foni kuti vaone kuti
hamuna number dzaTasha.

"Azvina basa ndomuda zvakadaro


akati munhu ane mwana haarorwi
ndiani"

Ndakangoseka hangu handina


kuzopindura tanga tatosvika paden
pangu.Mai2 akamhoresa hanzvadzi
yake vakatanga kutaura zvavo nyaya
dzeupenyu.
"Mai2 ndanzwa kuti uri shamwari
yaTasha ndipi number dzake"

"Aaah wadii kunopihwa naye ini


andikwanise hangu"

"Kana uchiti haukwanise unorevei nhai


Hilda ndikumuda musikana
iyeye"akadaro Kevie.

"Kuti umuitise aiwa bodo siya mwana


wevanhu azvitamburire ega not kuda
kumupa stress"
"Aiwa hanzvadzi kungoti hausi
kunzwisisa ndomuda zvemashuwa ini
chero vamwe vasikana ndatosiya nhasi
chaiye"

"Unoti handizvizive kuti ukuda kurara


naye womusiya wanyeperwa naLee
kuti ihure ka manje wadzva hauwine
iwewe ndobheja"

"Mai2 ndakwana papi pedzeranai


mega" ndakadaro.

"kuti ndiri kunyepa here daddy"


Mai2 vakaramba nenumber dzaTasha
aisatoda kuti sahwira wake
aitiswe.Mazuva akafamba Kevie
akasvitsa shoko kuna Tasha
akanyadziswa pazere vanhu.Akatukwa
achiita zvekupopoterwa.Chakava
chishamiso kwandiri kuti ndiTasha
here akutuka vakomana vari
kumupfimba iih inga nyika
yakunoguma.

Rimwe zuva ndichitobva kushop


ndakapfuura nemuground mandiita
training yangu.Ndanga ndakabata
kaAbisha mumaoko angu
kaingosekerera kakanditarisa
kachitambisa tumaoko
twake.Ndakaona vanhu vaikisana vari
paseri pemuti ndikasiyana nazvo
hangu ndakazopererwa kuona iri
hanzvadzi yangu naPetso.Cindy
nekunyara akatarisa pasi achishaya
zvekutaura uyu Petso anga amira
kumashure kwaCindy akagadzirira
kutiza.

"Saka chii chaunotarisira pasi


hautonyari mama vari kuti uri
kuchikoro iwe uchibatwa batwa nana
musoro bhangu ava" ndakadaro
kutaura chokwadi zvakandibhowa
zvoreva kuti kuchikoro kwacho haasi
kusvika.

"Nd...a .a a nga ndi i i"

"Taura zvinonzwika Cindy wakatanga


kukakama rini" ndakadaro ndichimupa
mbama yakarira,kaAbisha
kakavhunduka kakatanga kuchema
ndakakanyaradza kakabva
kanyara.Kwandiri kaisanetsa kainetsa
mai vacho chete.Petso akarova bara
aona ndanga ndakusvika paari.Cindy
ari kumba anozviita munhu kwaye iye
ari hure remakoko ko mama
vakazviziva kuti mwana wavo hasi
kusvika kuchikoro vanodii.Vanofana
kuziva hunhu hwemwana wavo.Cindy
akatanga kuchema ndaida kumurova
zvakasimba asi ndakanyara kaAbisha
kangu.Dai asiri ndisina Petso
ndivakwapaidza vese naPetso vake.

"Asi Lee chii chawandirovera ndiudze


now izvozvi taura wandiroverei"
akadaro Cindy achiita kunga ari kuda
kundirova.KaAbisha kakabva katarisa
tete vacho vaipopota.

"Ndakurovera chihure hausi kusvika


kuchikoro sei unofunga kuti mari
inonhongwa here"
"Ndiwe mai or baba vangu here ndiwe
unobhadhara fees yangu here Lee
mind your own business wanzwa
kuchikoro ndapedza malessons angu
andinoita" akadaro.Akabva atanga
kumhanya kuenda kumba
akandibhowa haana mukanwa
chete.Ndoda kutomurova pamberi
pamama chaipo dzungu iroro
ripere.Ndakaenda kumba ndikasvika
mama vakatogara zvavo mudinning
vanga vachiona mamovie.Vakatora
kamuzukuru kavo vakatanga kutamba
nako.

"Ko wasiira kaAnisha wadii kuuya


navo vese nhai Ba2" vakadaro mai
vangu.Cindy aiva busy kudya rice
mukitchen.

"Aaah achauya namai vake apa


ndaibva kushop,mhamha munobata
mwana wenyu Cindy ndomurova
haana mukanwa zvisingani
zvandakamubatsira even mota iyo
ndini ndakaitenga nemari yangu nhasi
akundiita sendisina kumubatsira even
laptop chaiyo"ndakadaro.

"Zvaimboita sei mwanangu, maita sei,


iwee Cindy huya pano"vakadaidzira
mama.Cindy akauya achidya rice rake
akafinyama paakandiona.Ndaida
kumurova mama vakamira pamberi
pedu.

"Ndauya mama"

"Haasi kusvika kuchikoro mwana


wenyu ndamuona achikisana naPetso
ndamutsiura akundiita benzi
zvinoitawo here izvozvo mama hakasi
kekutanga kuvaona vese vanhu
ava"ndakadaro.

"Kunyeperwa mama" akadaro


Cindy.Mama vakanditambidza mwana
vakawaridza Cindy mbama zvekuti
plate yerice yakadonha zvichirasika iye
wacho achidonhawo.Vakamutora
mama vakapinda naye mubedroom
mavo ndakazonzwa mhere ndikaziva
kuti akupinzwa mugwara.Abisha
akatanga kuchema zvekuti anga
akuramba kunyarara inenge yava nzara
chete.

"Huya urare apa tione nduda kuona


uchakakwana here ndikaona wava
churu pano wobva andichengeti
mahure pano unoda kundiuraya neBP
here" vakadaro mama.Ameno
vakatarisa vakaona akakwana here
andina kuzobvunza ndakamhanya
kumba naAbisha anga
akuchema.Ndakasvika kupa mai vacho
vakamuyamwisa dzikabva dzanyarara
dzikabva dzatorara.Ndakadzoka kumba
kwamama ndaida kunzwa kuti
zvakamira sei naCindy.Ndakasvika
Cindy akazvivharira muroom make
mama vaipopota mudinning.

"Tenda Mwari ndakuwana wakakwana


dai pasina izvozvo waifira mumaoko
angu ,zvaunotuka Lee mwana wako
here heee zvingani zvanokuitira sei
usingatendi" vaidaro mama
vachipopota.

"Mama zvakwana andidi muite Bp


nezvinhu zvisina basa"
"Anditombonyarari iwe Cindy huya
pano buda mumba umo iye haana
mukanwa sei kusvika pakukushoora
ane shuwa kukisana nemkomana
pamberi ako" vakadaro mama.Cindy
akabuda achichema dama ranga
razvimba.

"Itonyarara hako apana zvandakuita


paya" vakadaro mama.

"Unodanana naPatson here"


"Ehe mama moda ndisvike rini ndisina
mkomana ndiye ega wandodanana
naye, mkoma Lee sorry nemashoko
andataura kwamuri inyaya yekuti
ndanga ndagumbuka asi zivai Petso
ndomuda takavimbisana kuti
ticharoorana ndapedza chikoro"
akadaro akatarisa mama.

"Hooo ini ndanzwisisa asi


chandibhowa pakusasvika kuchikoro
nekutaura mashoko akashata kuna
mkoma vako vane right yekukurova
kana watadza"

"Mama malessons angu ndapedza


ndosaka ndakurumidza kuuya"

Mama vakanzwisisa zvavo


vakambundira mwana wavo.Kana ini
ndakamumbundirawo ndikamuti
danana hako naPetso asi skiri rekuti
akukise or kukubata pasina
chaakabvisa ndaramba.Akaseka
zvikanz naye zvawakastonya Hilda
usati wamubvisira takamboti
chii.Mama vakaseka zvavo
ndakazoenda kumba kwasviba.

*Final chapter*
*HILDA*

Ndainzwa kubhoekana ndega pamba


ndina kaAnisha kangu.Ba2 vanga
vabuda naAbisha vachienda kushop
vaifamba zvavo netsoka.Ndakafonera
Tasha kuti auye kundivaraidza haana
kuramba.Akauya achinzwisa tsitsi
akandiudza kuti anzwa nekunetswa
nevamwe varume.Hanzi Petso ndiye
audza vanhu kuti ndiri hure
ndakabhoekana akufarisa
Petso.Ndakaisira tete Cindy kuti
vatsiure munhu wavo aite mushe
avana kupindura maybe vari
mulesson.Akazondiudza kuti Kevie
ndiye umwe aimunetsa futi.

"Sahwira vanhu vakakunetsa nekuti


wakanaka une chimiro chakanaka
ndinonamata kuti dai wawana wako
anokuda asi ndafara kuti wakavaramba
ndokuti munhu kwaye wako namata
kuna Mwari vanokupa"

"Paya ndaiva murima


ndakazvikanganisira upenyu hwangu
zvevarume andichadi ndoda
kuzvichengetera mwana wangu"
"Okau handisi kupikisa hangu asi
haungagari usina murume Tasha wako
achauya trust me" ndakadaro.Pagate
pakabva papinda mkoma Kevie.Tasha
akavhura ziso akanditarisa.Aisaziva
kuti ndimukoma vangu.

"Ko ari kudei pano mufesi uyo"

"He is my brother"

"Hooo ndosaka ukuti ndichawana


wangu kuda ndidanane naye ka maya
handiite izvozvo" akadaro Tasha akuda
kusimuka ndikamubata ruoko.

"Tasha ndomboti danana naye here


inga ndati wako achauya wani"

"Okay ndakuona sahwira rega


ndiende"

"Ummm ndafara ndakuona Tasha


ndokuda zvekurevesa dai
wandinzwisisawo please" said Kevie.

"Uri kumuona zvaari kutaura here


Hilda zvondisvota haabvume
kurambwa sei andisi pakutsvaga ini"
akadaro Tasha.Ndakataurira Tasha kuti
kupopota hakuna zvakobatsira ramba
munhu zvakanaka ndikabva ndavapa
space.Andina kure kwandakaenda
ndaivaona hangu asi zvavaitaura
ndaisazvinzwa.Ndakazoona Tasha
adzikama akatarisa pasi ndikaziva
apedzerwa chete.Akaita makoti wangu
ndofara dai Kevie akasiyawo
zvemadress.Vaviri ava vakazouya
kwandiri Tasha ainyara
kunditarisa.Kevie simairi yaisvika
kugotsi chaiko nemufaro.

"Mai2 uyu ndiye ava makoti wenyu


tazobvumirana zvedu" said Kevie.
"Aaah" akadaro Tasha akatarisa pasi.

Havana kugarisa vakabuda vese Tasha


aiti asiya mwana wake neworkmate
yake.Mazuva akafamba Kevie naTasha
vanga vakupengesana zvekuti anga
akuzivikanwa kumba kana mama
vangu vakafara nazvo vakati ndafara
nekuchinja kwaTasha Mwari
ngaakudzwe.Asi Tasha haana kubvira
arara naKevie aijamuka hake.Hanzi
kuva mvana hazvikupi passport
yekuda kurara neni usina kundiroora.
Kevie akazobvisira Tasha kana mai
Tasha vakafara zvisingaite asi vainyara
kutarisana neni.Andina kumboita basa
nazvo asi ndakaona mai ivava vane
problem chete vakuda Tasha nekuti
agarika paanga ane nhamo
vaisamuda.Asi Tasha haana kuchinja
rudo rwake aivada mai vake chero
ranga riri benzi.Pamwedzi wega wega
vaisenderwa grocery.Waya naBelly
vakachata zvakadadisa taivako
kumuchato wavo.

Ana 2 twanga twakukura.Abisha aibva


anyatsa kuoneka kuti ndiLee chaiye
dai akasakopa mabasa aLee
ekare.Kunamata andina kumira
tainamata pamwe chete nemurume
wangu.Tanga takugadzirira muchato
wedu naba2 asi ndakati toda
ndizochata ndapedza chikoro.

*3 YEARS LATER*

Ndanga ndapedza chikoro vana


vaisara kwagogo zvavo.Ndanga
ndakuita zvecourse yemagetsi ndaida
kushanda pasame company naLee.Lee
agara akaita degree reEngineering ari
kuEngland.Ana 2 anga akufamba
nekutaura but kwete kunyatsogona
kutaura.Abisha anga akangwarisa
ndakazviona hangu idzi Anisha dzanga
dzakanyarara dzaisada kusiyana
nagogo vacho.

"Mama shei mushingadi kuyendawo


neshu kuchoro kwenyu" kakadaro
Abisha ndakaseka.

"Akudiwe vana vadiki my son"


ndakadaro ndichikasimudza ndanga
ndichibika zvangu.

"Ndoda kubikawo mama"

"Unozobika mangwana Abisha"

"Handidi noda kuudza daddy kuti


maramba kundibikishawo"

"Abie ndoda mwana anoteerera ini"


ndakadaro ndaona kachiramba
kachinetsa.Kakabva katanga kuchema
kachienda kunababa vacho ameno kuti
kakanoti chii.Ndakaona baba vacho
vakuuya mukitchen vakakatakura.

"Warambidzirei mwana wangu


kubikawo"

"Amana andidi zvekunetswa ini ba2"

"Mama vane hutsinye dad


vakayendesa Anisha kwagogo
vachindishiyawo"

Baba2 vakabuda vakanotora Anisha


kwagogo vacho.Dzakauya
dzikandimbundira idzi dzanga
dzisinganyanyi kutaurisa dzaiita
zvenguva.

Tete Kundai naBaba Lee


vakazorambana zvichinzi tete Kundai
vaisazvara.Baba Lee vanga vaonda
zvavo asi ukavabvunza vaiti havasi
kurwara.Takanzwa kuti vakakumbira
amwene ruregerero asi vamwene
vakati vavaregerera asi hazvichate
vadzokerane.Takazonzwa kuti vadonha
tikavaendesa kuchipatara uko.Doctor
vakati manonoka nemunhu wenyu
chirwere ichi chatova pamafinal stages
apana zvatingaitawo.Baba Lee vanga
vasara mabhonzo chete vakunzwisa
tsitsi.Ndakabuda misodzi
ndakavatarisa ana 2 twakamhanya
kuenda pavari.

"Gogo ndiani uyu hona akanditayisha"


akadaro Anisha.

"Anisha hona munhu uyu


akashungihwa tambo vanhu vane
utsinye" kakadaro Abisha kachida
kubvisa drip kakazobatwa nababa
vacho.Ivo sekuru vacho vakabudisa
musodzi vakatarisa vazukuru
vavo.Tete Cindy ndivo vanga vasipo
chete vanga vari kuUZ kwavaita degree
ravo.Baba Lee vakandikumbira
ruregerero neutsinye kwavakandiitira
ndikati zvakapera.Vakambotaura namai
lee ivo vamwene vakatiwo
ndakuregerera murume wangu.

"Mwana wangu Cindy aripi,ndisati


ndaenda ndine mashoko andoda
kusiya ndataura kwauri Lee" vakadaro
baLee vakabata ruoko rwangu
nerwaLee vakarubatanidza.
"Leeroy ndoda ude mkadzi wake
nemoyo wese usatavedza maruva
enyika haaperi handidi uite
zvandakaita lee naHilda don't forget
kuchengeta gogo vana2 "vakadaro
vakatanga kukosora.Tikadaidza doctor
vakauya isu tikanzi tigare panze.Pasina
nguva tikazonzwa kuti baba Lee
vashaya ndakarwadziwa ndaisada kuti
vafe vatambe nana2.Mai Lee vakafenda
vakadirwa mvura.

Cindy akafonerwa akauya achinzwa


kuti baba vake ashaya akachema hanzi
baba vangu vanga vari benzi ndaisada
vafe ndaivada.Rwufu rwababa Lee
rwakarwadza vakawanda vaivaziva
apana anga asingazivi kuti vakafa
nemukondombera.Takanovaviga
kumusha asi vamwene BP yanga
yakatokwira zvekuti takatovaendesa
kuchipatara.Vamwene vangu
ndaionovaona kuchipatara zuva
nezuva.Pavakabuda ndakati timbogara
navo vanga vava nani vaivaraidzwa
nevazukuru.

Tasha anga ane nhumbu yamkoma


vangu.Mike akaedza kuda kutora
Tasha zvechisimba kutiza naye asi
akagonekwa naMkoma kevie
vakamurova.Mai Jane vakatsvaga
mwana wavo vakanzwa kuti akugara
kumusha namai Clever vakanzwa
tsitsi.Asi tsitsi dzakazopera pavakaona
Jane ane imwe nhumbu yainzi ndeya
Mike here ameno
zvaisanzwisisika.Mike wacho akatiza
kuenda SA.

Tete Kundai vanga vakupenga


vachidya zvemumabin.Ndakavanzwira
tsitsi veduwee ndakaudza dad
vakatuma vanhu vanobata tete kuuya
navo.

Vakauyiwa navo ini namama


takavagezesa anga ari makwikwi tsvina
yavanga vanayo haite.Tapedza
takavapfekedza hembe
dzakachena.Pastor vanga vauya
vakanamata zvekuti Tete Kundai
vakaridza mhere vachiti Tarie
ukundipisa kani.

"Taura zvawakaita kuna Tarie ndiko


kuti uponeswe" said Pastor.

"Stella akandituma kuti ndiisire Tarie


poison muchikafu nekuti iye aida
mkoma vangu please
ndiregerereiwo"vakabva vatanga
kugwinha ndiye zii.

"Mai Mtetwa tamatirai murandakadzi


uyu" vakadaro Pastor.Mama
vakanamatira tete vakabva vamuka
vanga vanormal.

"Iyi yatova ngozi yava mumusha


inogona kusanetsa imi asi generation
ichatevera kuti zvipere endai munoona
hama dzemushakabvu motaurirana
kuri kuripa moripa nguva iripo"
vakadaro Pastor vakabva vaenda
zvavo.

Bamukuru Ba Kevie nadad vakaita


meeting yavo.Vakazoenda kuhama
dzaTarie hiwee nyaya yacho yakati
netsei asi vakazonzwisisana
tikaripa.Tete Kundai vanga vakunzwisa
tsitsi vanga vachinja vava munhu
kwaye asi namai Lee vanga
vasingaonani.Mai Lee vaiti
vakasangana naKundai vaimutuka kuti
ndiwe wakauraya murume wangu izvi
zvaizonyanya kubata tete.Ivo tete vaiti
vakazorwa chirwere nababa Lee.Baba
Lee handirambi vainzi vairara
nemahure akawanda.Dad
vakazotsvagira tete basa kuimwe
company ndiko kwavanga vakushanda
vachinwa mapills avo havana kubvira
futi vaita zvevarume.

Mumba mangu manga mune mufaro


ana 2 vanga vakura manje.Asi Abisha
kutaurisa too much.
Nhai daddy makaberekerwa
kupi" kakabvunza Abisha.

"kuKwekwe"said Lee.

"ko mhamha vakaberekerwa


kupi"

'kwaMutambara"

"ko ini naAnisha takaberekerwa kupi"

" Obvious kuno Mutare".

"Aaaaaah saka takasangana


kupi"akadaro Abisha ndakaseka anga
asina kukwana uyu.

"Iwe mese manga muri mudumbu


mangu umu" ndakadaro ndichibata
dumbu.

"Ko takapinda sei mama"uyu aiva


Anisha akabvunza .

"Umm ndidaddy venyu vakamuisamo"

"Umm dad tell us matiisa sei


mudumbu mamomy vedu" kakadaro
Abisha.Lee akanditarisa akabva aseka
hake.Baba vacho vakavavhara vhara
kuti vasabvunza futi.Twana twangu
twaiva comedy.Vamwene vanga vatova
bhoo vakadzokera kwavo.

Petso akatenga stand yake akavaka


imba asi haisati yapera asi anga
akabvisira Cindy pashoma paanga
anapo.Vaviri ava vanga vakavimbisana
kutorana nemuchato zvinova
zvavakazoita zvekuti vamwene
vakafara zvisingaite umm Cindy
akadadisa hake.Isu naLee tisu
takazopedzisira kuchata muchato
wakanetsa iwoyo umm vanhu kuwanda
here.Takambobuda tiri 2 nahubby
kuenda kuEngland ndaida kunoona
imba yake.Ana 2 vakasara nagogo
vacho.

*THE END*
Namo Amitabha

Thanks kune vese vakanditsigira


pabook iri.May God bless you all
Nyaa my sis and Melly my editor
thanks you so much
ndisingakanganwe Hilda Nyasha.

Twin Pee
Sis Dee

WATCH OUT FOR CHAPTER 50

(PDF CREATED BY LORITY ARTS-


0712487424)

You might also like