Professional Documents
Culture Documents
Laiza S10
Laiza S10
[LAIZA 10]
CHAPTER 1
*Innocent*
Purity: mhoro.
End of chapter 1
*Innocent*
Dai kuroora kuchiitwa week vanhu
vakaungana zvavo ini ndaive ndisisadi kubva
kwaMadondo. Panoungana vanhu
panotaurwa nyaya dzakasiyana-siyana
unotodzidza zvakawanda kana uine chido
hako. Vana dad vekwaMadondo ava ayewa
excellent vaingodika zvavo nekuda
kwehunyoro hwavaive naho. Naivo vaisada
zvekuti tiparadzane asika taive nemabasa
ekuita kuti tiraramise mhuri uye ivo
vaitoshanda mabasa ekuti kusavepo kwavo
zvese zvaibva zvamira. VekuVic-falls vaive
nevarwere vaviri mumba saka pakuonekana
vakatotaura kuti zvaisashamisa kuti kana pane
zvimwe zvinenge zvichida kurongwa vaigona
kutadza kuuya. Panyaya dzemombe dzaifanira
kutakurwa vakangoti titaure nasekuru baba
Munya ndivo vaizosvitsa shoko kuna dad
vakuru.
Patakabva paMadondo takananga
kuBelvedere tikasvika tichirara chero sekuru
vangu vekutaurisa ava hope dzakavakunda.
Mama nadad vakananga kumba asi vakati
taifanira kumuka tichienda kumba tese
naRhoda nekuti vaive vakuda kutanga
kufambira nyaya dzake. Mukomana wake aive
ambofona achiti vanhu vaive vamirira kuuya
kwavo kuzoonekwa asi akanzwisisa
patakamuudza zveurongwa hwandaive nawo.
Hope dzacho dzakatitsikirira tikamuka ten
yachaya zvayo kare. Ini ndaive neurongwa
hwekunoona Purity futi apa kumba ndaidiwa
ndakabva ndapererwa. Takageza tikadya
ndokubuda nana sekuru takananga kumba
kwedu. Havana kunogarisa vakangosvika
vachikwazisana namama vaive mudining
vakatoti vakudarikira vaida kunoona mama
vambuya mai Natie. Dad takawana vakarara
mama vakatoti “chero kudya havasati vati
vanoda kuzomuka hope dzanyatsopera.”
Rhoda akasvika aina mbuya mai two, time
yatakabva kuBelvedere vaive vabuda vaenda
kumba kwambuya. Pavakasvika vakati vaida
kuenda kuchurch akabva atochinja hembe
Rhoda akati aive ataura nemukomana wake
akamuudza kuti kana aine zvaaida aitaura
namama. Ndakaita kakusafara zvangu
paurongwa hwaRhoda uhu handiti mukomana
wake aifanira kuuya kuHarare ozotanga
aonana namama then zvaivaitira nyore
kuenda kumusha kwavo vakuziva zvakawanda
pamusoro pemukomana wacho. Hamhenowo
ndaive nezvanguwo zvaindinetsa ini zvaida
kuti ndiise pfungwa nesimba rangu rese kuti
zvibudirire. Muchato wangu waitofanira
kuitwa muna April pasina kukundikana kana
paizoita kusudurutswa kwemazuva nemwedzi
zvaireva kuti taizochata hedu Purity atove
kumba kwedu. Pakabuda vana mbuya mai
two vachienda kuchurch ndakasara
ndichienda kuroom kwangu kunorara ndaida
kuzomuka ndichienda kunoona Purity. Dai
nguva yaimhanyiswa zvayo ndaidei ndakati
mwari vandiitire sekudaro. Ndaive ndakuda
kugara nemukadzi wangu ini ndichiyema
hangu sezvaiita dad izvi. Ipapa vaive vakarara
zvavo kubedroom uku mama vachimhanya-
mhanya nekubika. Ini ndaida kurariswa
pamakumbo ndopuruzirwa kumeso
ndichikiswa kusvika hope dzabata. Ndaida
zvakare kuti ave pedyo neni torara
takambundirana kuita munhu one tichifema
mweya umwe. Dai ndakaziva kuti kumba
kwaisave nenyaya dzine musoro ndaidei
ndakaenda hangu nana sekuru kuGlenview.
Hope dzacho dzakaramba kubata
ndikagadzirira kuti ndiende kunoona Purity.
Ndakatogeza ndikaburitsa hembe ndikafona
ndakuda kupfeka akapawo maexcuse ake.
Zvainzwisisika hazvo hapana paizoti vanhu
vabva kuita nyaya dzekuroora vongomuka
kuseni vachitoparadzana pamwe vaidawo
kuwana nguva yekuonesana nezvemuchato
wataive takatarisana nawo. Ndakabva
ndangopera simba ndikapinda mumachira
kurara hangu apa kwaitonhorera kani nekuti
kwaive nemakore. Ndakamuka manheru
pakasvika vana sekuru vakateedzana nambuya
mai two vaiuya kuzosiya Rhoda. Sekuru Farai
vakati vaizomuka vachienda kuSA so
ndakatora mukana iwoyo kuvatenda
nekuzvipira kwavakaita kusiya basa ravo
vachizomira neni pazuva rangu rakakosha
kudai. Ko ndaizivei hangu kuti sekuru Nigel
nambuya mai two vaizosimukawo musi
weChipiri vachienda kuNigeria. Ndakatonzwa
ipapo kuti sekuru nambuya mai Farai
vaizodzokera kuBulawayo kana vana mbuya
vaenda. Mama vakatiwo pamwe China
vaizosimuka kuenda kumusha kwemukomana
waRhoda kunoonekera asi vaigona
kungonorara zuva rimwe vomuka vachidzoka.
Dai mwari vaiudzirwa zvekuitaka taiita
chikumbiro chimwe chete chekuti varege
vabereki vachengete vana vavo kusvika vakura
vozofa havo vasiya vana vave nemhuri dzavo.
Rhoda aive asina amai kana baba saka zvese
zvaitonoitirwa mumaoko ana bamunini. Aiti
pakashaya vabereki vake akashungurudzwa
zvakanyanya nana mainini vachimuita
mushandi nekumunyima chikafu saka
hamheno kana vaizofara nekumuona
achiroorwa zvakanaka. Akatotaura nadad
ipapo akati “sekuru kana vana bamunini
vakanoita zvekuomesa musoro zviri nani
ndizobvisirwa pfuma kuno. Ivo vanongovepo
pakucharger mari kana zvapfuura votora yavo
voenda.” Mama vakamuvimbisa kuti vaishinga
kunamata pamwe naye kuitira kana pane
mhepo dzewakaipa dzishaiswe simba.
Takabuda nana sekuru takuenda kuBelvedere
ndikatotaura kuti ndaizonorarako. Vana mama
vakati vaizomukira kuseni-seni vaive vasati
vawana nguva yekutenda vana sekuru baba
Farai nebasa ravakabata kwaMadondo.
NaPurity takataura pafoni ndikamuudza
zverwendo rwasekuru Farai kureva kuti
ndaisazokwanisa kumuperekedza kuchikoro.
Mbuya mai two vakanosvika vachitora
mukadzi waMukundie vakaenda naye kumba
kwavo kuti anovabatsira kurongedza.
Ndakaona hangu kuti mbuya vaingoita zvekuti
vangagodii asi vanenge vaive vasisadi
zvekuenda kuNigeria izvi. Vaingozviomesera
mbuya vangu ko vainogarisa here handiti
vaingonoita two weeks votodzoka. Pamwe
chaivavhiringa havo inyaya yekuti sekuru
vakaramba kusara vanenge vaiona sekuti
zvaizoaffecter kubasa. Chandakada zvangu
ndechekuti sekuru baba Farai nambuya
vaikurudzira chose kuti mbuya mai two
vaende mberi nechikoro. Kazhinji vana
vanotadza kusupporter vakadzi vavo vachitya
kuti vabereki vanozoti chii. Panotaurwa zviri
negative but mukazviongorora haisi nyaya
yekuda kuchengetedza marriage yevana asi
vanenge vachirwadziwa kuti mwana weumwe
munhu abudirire. Handiti kudzidza kwambuya
kwaizobatsira mubusiness refamily uye
kuvawanisa maopportunity akasiyana-siyana
aizobuda kunze kwenyika. Pamwe
zvaizobatsira futi vana ivava vaizvarwa nekuti
kana mwana achida kunodzidza kunze
kwenyika pakaita akamboendako
zvinomurerukira kuti azive advantages and
disadvantages. Ndiwo mashoko chaiwo
akataurwa nasekuru baba Farai waitofunga
kuti pamwe vairairira mama Felie nekuda
kwekuzvipira neushingi hwaive muvoice ravo.
Ndakanzwa sekuti vaizoita two days kuSA
vachiona mbuya mai Natie then vozodarikira.
Vanhu vaitumira sekuru Farai mamessage
ekuti vadzoke kubasa vaitikanganisira mufaro
wedu. Ipapa hazvirevi kuti vaikurumidza
kudzokera nekuda asi vakatonzi vakasire pane
zvaive zvamuka kubasa. Pahurongwa hwavo
vaive vati vaizoenda pamwe nemaNigerians
aya. Handisi ini ndakavatumidza kuti
maNigerians ndakanzwa vakudeedzwa
nambuya mai Farai vachifara havo nevana
vavo. Hatina kumbonyatsotandara nana
sekuru nekuti vese zvavo vairatidza kuti
vaifungisisa nezverwendo rwavo. Sekuru Farai
vaiti pane mwana waminister wavakasiya ari
muICU so vaifungira kuti pamwe akazosara
akashaika. Ndizvo zvairwadza chete pabasa
ravo kuti kufa kwemunhu kwaionekwa sekuti
ndivo vanenge vakonzeresa. Vanhu vane mari
vanofunga kuti kana vakabvisa mari yavo
zvakureva kuti munhu haachafi.
Ndaivanzwisisa zvangu vachiratidza
kushungurudzika nekuti vamwe vakada
vanotokusuer for negligence wobhadhariswa
mazimari akawanda. Vakavimbisa kuti
vaizodzoka kana vawana zvinhu zvese zviri
mugwara. Takanorara musame room ndini
ndaizovaperekedza kuseni so takaitira kuti
tikwanise kumuka nguva imwe chete.
Kuseni kwacho takazoenda tiri three nasekuru
Nigel tikanosiya vakwira sekuru ndokudzokera
kumba. Ndakanodarikira kuenda kubasa
ndichiitira kuti ndigowana mukana
wekunoona Purity. Kumba kwainetsa kubuda
nekuti vana mama nadad vaive vagara vataura
kuti vaida kuzoenda kuBelvedere kunotenda
vana sekuru nekufambisa kwavakaita basa
rangu. Ndepapi pavaizotenda ndotadza
kugarawo mumba imomo zvaizoita sendisina
tsika. Ini ndaive ndatotaura navo mbuya
nasekuru tikanzwisisana vaisave vanhu
vanoda kunamatwa zvavo vakatondipindura
kuti “ndiro basa redu iroro muzukuru. Mbuya,
sekuru kana tete mufamily vane basa guru
ukatoona usinganetswi nevana zvibvunze kuti
ndosvikika here kana kuti ndotyisa. Unenge
wakafanana naamai vanogara nevana vavo.
Vana kana paine chavanoda vanotanga vaudza
amai vachikumbira mvumo and haumbonzwi
amai vachichema-chema kuti inga zviripo
pachena wani vanotoziva kuti mwana
anotanga akumbira opiwa mvumo.” Mashoko
ambuya mai Farai aya ndakabva
ndavaomberera maoko vakafunga kuti
ndaitamba navo asi kutaura chokwadi
vaitaura mashoko akakosha.
Sekuru Chivige ndakawana variko kubasa
ndikashamisika nekuti ndaive ndambonzwa
naPurity achiti vairwara nekuda kwedoro
ravakanwa rakawandisa. Chandaivadira
ndechekuti vaikoshesa basa ravo havana
kubvira varatidzira kuti vanoda favour sezvo
vaive sekuru vaPurity. Ndakavati vadzokere
kumba vagouya vakunzwa zviri nani
vakaramba hanzi “ukadaro watodzidzisa
vamwe vese ava misikanzwa vanenge vakuti
ko sekuru vake vanoita zvavanoda wani.
Muviri wangu wakarukutika handirambi asi
handina kukuvara kana kurwara ndiri pabasa
ndini ndakatadza kuzvidzora pandainwa saka
ndichapora hangu.” Basa raivepo rakawanda
kwazvo, seMonday kudai ndipo paiuya vanhu
vaitenga fertilizer. Mari yaipinda ko
ndikanyepera kuti ndaingowana yekuti
ndirarame chete ndaizoita sendaishora kupa
kwamwari. Handina kukanganwa hurongwa
hwandaive naho hwekunoona Purity.
Takagara tataurirana masikati kuti
ndaizonomutora apedza zvekuchikoro
ndozonomusiya kumba. Ndainonokerwa kani
ndaida kumuona ndigutsikane kuti ndiye here
wandaitaura naye pafoni kubva zvatakanga
taparadzana musi weSaturday. Aive achinja
ndaiyemerwa nekubvunzwa-bvunzwa
mibvunzo yekuda kuziva kuti ndaiitei, nani
uye kupi. Jealous rudo ndaibva ndanzwa
kuzadzwa mweya werudo kuita kuswimer
chaiko. Zvisinei hazvo nguva yakakwana
ndikatoisirwa message hanzi “watobva kubasa
here ndiudze kuti wakamira papi.” Veduwe
ndakaita sendichadonha ndakumhanya-
mhanya kunotora makey emota kuoffice.
Zvichibvawo nevakomana vaishanda pabay
vaingoita mafun akazokonzeresa kuti
ndirasane nenguva. Ndakapindura nemessage
ndave munzira ndichimuudza kuti ndaizosvika
nekukasira aifanira kundiudza
pandaizomuwana. Taive tatove nekanzvimbo
kedu kekuonana pacorner paiperera fence
ndipo paakati ndaizowana akagara
pamatombo aivepo. Ndakafamba chaiko
akatoramba pandakamuudza kuti paakafona
ndaive kubasa akatofunga kuti pamwe ndaive
ndakaparker pedyo. Ndaiti ndichagashirwa
nehug but akaramba zvake uye aitonyara
kutarisana neni kumeso. Ndaizomupedzera
pese pandaimuyeva ndichitadza kudzora
maziso ko aiyevedzaka mukadzi wangu
ndaisaneta kuzvibvunza mubvunzo wekuti
ndaive ndamboiteiko kupiwa mukadzi akadai.
Akapinda mumota ndikadriver ndichitsvaka
pekuti tigogara pakanaka tichironga
zveupenyu hwedu. Tatifambei
ndakamubvunza “babie uri kufungei
nezvakaitika paweekend? This is our life, this
is our moment tinofanira kufara asi kufara
kwacho kunobva pakuti tazvigashira here
pamoyo.”
Purity: (akaita kakugomera) ehe
ndakazvigashira uye ndoda kungoti thanks
hako.
End of chapter 3
Ini: hapana.
Ini: okay.
Ini: yoweee.
End of chapter 4
Purity: venue?
End of chapter 5
Love you guys
CHAPTER 6
*Purity*
Innoe: haana.
Ini: kwete.
Ini: hee.
Ini: mushe.
Ini: ehoyi.
End of chapter 6
End of chapter 7
End of chapter 8
*Purity*
End of chapter 9
*Innocent*
Ini: wajairei?
Purity: ndazvinzwa.
End of chapter 10
Ini: rini?
Ini: Lucy?
Lucia: (achipesanisa zvigunwe) cross bhaibhiri
mainini asi vanenge vaive vandinyepera
nekuti vakanosvika vakandisiya n’anga iya
yakutaura zvekunyeba hanzi unofanira kuita
mukadzi wehomwe zvechikoro hazvisi mauri
….
End of chapter 11
End of chapter 12
*Purity*
End of chapter 13
Nigel: and?
End of chapter 14
Ini: aaa
End of chapter 15
Purity: zvei?
Purity: aaa.
Purity: handigoni.
End of chapter 16
*Purity*
Ini: okay.
End of chapter 17
End of chapter 18
*Purity*
Nyaya yehumhandara ndakanga ndakwanisa
kuivharidzira kuna Innoe kuti asaitaure
ndikabudirira. Ndaifara mumoyo kuti ndaive
ndaita zvakanaka zvisingandipe chipomerwa
mune ramangwana. Kukanganisa uchiziva
hakuna kunaka vasikana vese vanofanira
kuziva kuti kurara nemukomana usati
waroorwa kwakaipa. Varipo vanobatwa
chibharo ndongoti kuvabereki
ngavasahwandise zvakaipa kudaro vachiedza
kuprotecter hama dzavo. Kazhinji vana
vanobatwa chibharo nehama dzepedyo
chaidzo vangave baba nyakutumbura, step
father, vana sekuru kozoti vana vemastep-
father kana step-mother. Zvogona
kuhwandiswa kana mwana abatwa achiri
mudiki vanhu vachiti paanokura anenge
akanganwa asika tinoziva here kuti
paanozoroorwa anoshaya anomumirira kuti
murume azive chokwadi pamwe vabereki
vanenge vafa. Varume vakanzwa nyaya
dzechibharo dzisina proof vanobva vati
tanyeperwa mwana otonzi itsotsi. Panyaya
yechibharo iyi vazhinji vanoti “zvinoparadza
ukama” kana mubati asungiswa. Munhu aita
mhosva ndiye anenge akutochengetedzwa
asika akaona mazvitora sezvisina basa
acharamba achienderera mberi
nekukanganisa mhuri yese. Kutoita rid of one
rotten apple kuri nani pane kurirega richiodza
box rese.
Chainyanya kundifadza ndechekuti ndaive
ndadadisa kuna mama vangu havana
kutambisa mashoko pese pavaindirovedzera
vachiraira kuti ndikure ndiri mwana
akadzikama. Ndaiziva hangu kuti haisi iyo
yaizove chain yekusunga marriage yangu
asiwo kana matambudziko aizotanga zvaireva
kuti zita rangu raisazove iro remavambo.
Ndaive ndagona kunyaradza Innoe
sezvandareva panyaya iyi asi vanhu vese vaive
vasara kuZimbabwe ndiyo nyaya yavaive
vakamirira. Vana sisi vangu vakaita
kundisumudza ichinaya mibvunzo ndaive
ndakutotya kuti vachanzwikwa nasekuru baba
two vachitaura zvemubedroom. Ndaingoseka
hangu asi maziso angu aive atozara misodzi
rudo rwavo rwaingondibata-bata henyu.
Kashoma mudzimhuri umu kuti hama dzifarire
mufaro weumwe. Vatorwa ndivo
vakutosimudzirana nekupanana mazano asi
ini zvangu ndaive neluck rekuve nefamily ine
rudo. Nenguva diki-diki ndaive ndabvunzwa
zvakawanda “zvinonaka here mainini,
zvairwadza sei musi wekutanga, makapiwei
nabamunini chekutenda kuzvichengeta
kwamaive makaita, hamuna kufainter here
pamakatanga kuiona?” Veduwe ndaipindura
upi mubvunzo vanhu vacho vaiita makwikwi
ava. Dai nguva yese yavaipedza vachiseka iyi
vakatonditora havo vakandiendesa kunoona
mama vangu. Pandakabvunza nezvavo hanzi
mazuva maviri ekutanga aivaremera kwazvo
vaitombochema asi pavakanzwa shoko rekuti
ndaive ndadadisa vakabva vati “regai
ndigadzikane hana mwana wangu akwanise
kugara zvakanaka nemukwasha wangu.”
Ndakatoita sendaivaona mama kani
vachitaura mashoko aya. Pfungwa dzangu
dzaive dzakutotanga kutenderera ndichifunga
murume wangu (ndakatsinzinira maziso
zvaindiitira fun). Ndakazununguswa nambuya
mai Munya vakati “asi wakurara nhaiwe
Masiziba isu tichitoda kuti ufambe uchitiudza
nyaya dzekuJoni?”
End of chapter 19
Purity: hapana.
End of chapter 20
Ini: aa nda-nda…..
End of chapter 22
Ini: dad!!!
End of chapter 23
End of chapter 24
Dad: congratulations-congratulations
mwanangu ndashaya kuti ndoti chiiko.
Ini: really?
End of chapter 25
Ini: ehoyi.
End of chapter 26
*Innocent*
End of chapter 27
End of chapter 28
End of chapter 29
End of chapter 30
Paida: chokwadi.
End of chapter 31
*Purity*
*Innocent*
Ndaimbosvika munzvimbo dzine vanhu
vanoda vakadzi asi zvandakazoona palodge
pambuya mai Two zvaive zvakaoma.
Pavakavhura takaenda first day just kunoona
nekuisa munamato waitungamirirwa
namama. Mumazuva akatevera ndakave busy
kubasa kwangu ndipo zvakare pakauya nyaya
dzaPaida zvakakonzeresa kuti ndiite mazuva
ndisina kuona sekuru Nigel. Vakazoita
kundidana kuti pese pandaiwana nguva
ndisvike kulodge tichitandara zvedu. Paida
ndiye aive mudiki pavashandi vese palodge
apa. Aive akunzwira zvese mvura, chikafu
mumuviri kozoti body chaiyo vaisashoreka
vana vekwaMadondo. Wangu Purity inhumbu
zvayo yaive yakuda kumukanganisa but
aiyevedza ndaitoziva kuti paaizoita mwana
aidzokera pabody yake yakare. Zvino nguva
yataienda kulodge nasekuru tainogara
pamacouch aive mureception tichinwa
madrinks edu nekuona bhora patv. Vanhu
vaitiona vaigona kufunga kuti taingovewo
vamwe vevaiuya kuzozorora. Paiitwa
zvakawanda palodge pacho vanoda marooms
ekutandara nevakadzi vavaiuya navo vaienda
kudepartment ravo vachiitirana noise ikoko.
Sekuru vaitofunga kuita parking lot yematruck
kunze nekuti waiwana paside peroad
pakazara-zara vamwe vaizorora kana vafamba
nzendo refu kotiwo ivava vevakadzi zvakare.
Kuita parking lot kwaizobatsira kuti
vaibhadhara futi kuchengeterwa mota dzavo
vakazorora. Pane vamwe vaivinga chikafu
mbuya mai two vaive vaintroducer traditional
meals saka vanhu vaitouya kuzongodya chete
voenda. Vese ava vaidarika nepareception
ndipo paizoita nyaya vaona mwana
wekwaMadondo. Vamwe vaitoda
kukwikwidza nemari kuti vadiwe taibva taseka
nasekuru setinoona tv izvo taive neredu
drama tega. Pane umwe mudhara aitove zera
radad vangu akauya nemakey emota ekuzopa
Paida akabudisa zvakare mari maUSA.
Kuzouya akapfeka semwana mudiki kani
majean edu anobata aya net-shirt zvino
nekuda kwedumbu pakatsemuka
pemagadziko paifamba pachionekera. Uyo
ndiye akasangana nazvo aifunga kuti mari
nemota zvinoita kuti Paida awire mumaoko
ake nyore. Takanzwa yave noise achitemwa
nemari yake nemakey. Akanovhiringidzwa
nechair akadonha ndokuteverwa akagarirwa
zvibhakera zvikasangana naye mumusoo.
Takamborega kubata tichiseka asi patakaona
akuchema Paida takaziva kuti aive amutsirwa
mavanga aakapiwa naJona. Airova musoro
nematama nezvibhakera achiti “imbwa-
imbwa dzisinganyari varume munongofunga
kuti vakadzi vanofanira kuita zvamunoda.
Zidhara rakadai mune mukadzi nevana
nevazukuru makutevererana neni mwana
mudiki kuda kundikanganisira upenyu hwangu
chete. Kwandinobva munokuziva here munoti
munoda kutondiita mukadzi anokubarirai
vana kusanyara. Ndokuroverai utsinye
hwamuri kuitira mukadzi wenyu, kusatya
zvirwere kozoti kutambisa mari yamaifanira
kupa vana venyu munoreva kuti nhamo
dzekudzinza kwenyu dzapera?” Akapenga kani
pakatomboita noise yataive takutadza
kucontroller kusvika pandakazoti umwe
musecurity amubate anomuisa mumota.
Takatozoenda naye kumba tikasiya mbuya mai
two vakubatsira pareception. Takafamba naye
achichema hatina kumbomunyaradza taida
apedze shungu. Akazotaura tapinda mutown
hanzi “ndoona sekuti basa iri richandiremera
ini zuva nezuva miyedzo yacho haiperi.”
Purity: wandivigirei.
*Purity*
Ini: hoo.
Ini: okay …
Innoe: but??
Ini: pachokwadi chaipo pano nyaya dzese
dzangove kutanga naPaida dzichipera
naPaida. Ndoziva kuti munin’ina wangu uye
hapana chandinofungira pazviri asi iwe
unofara here kana ndikati zvese zvatinotaura
ndopa mufananidzo pane kungotaura nyaya
straight. Waizviita futi mazuva aive asati
adzoka Paida kubva kuVic-falls uchiti
ndikangoti ndakuenda kwakati wototi handina
basa newe vakadzi vakawanda ndotsvaka
umwe.
End of chapter 34
Ini: makaura.
End of chapter 35
End of chapter 36
Love you guys
CHAPTER 37
*Innocent*
Ini: makadii?
End of chapter 37
End of chapter 38
End of chapter 39
End of [FINALE]