Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 892

Inseparable love

[LAIZA 10]
CHAPTER 1
*Innocent*

Dzimwe nguva vabereki nehama dzedu


vanotituma kuita zvinhu tichimhanya-
mhanya tongozohwanda nekuti sorry.
Munamato yes une simba asiwo zvaive
zvakuda kuitwa namama izvi ndakaona
sekuti vaive vakutorasika. Kutsanya here
vaireva kuti vese vaive nedzimba dzakamira
idzi vaitanga vanamata here? Madays
akaroora sekuru Farai mukadzi wavo uya
wekutanga ndakanzwa mashura futi
aitaurwa naPastor vaibatsirana nababa
vemudzimai wavo kuronga muchato.
Takaenda kumunamato day before muchato
pastor ivavo vakakumbira kumboraira
sekuru Farai so isu takangovepowo
kuteerera shoko uye taive taenda nemota
one saka paive pasina zvekuti tingadzokera
kumba tichivasiya. Hanzi naPastor ivavo
“zvese zvamunoita mumba motanga
manamata munoona zvichiendeka.
Pakumuka kuseni udzai mwari kuti tatanga
zuva iri ngarijekeswe nemi. Pakuvaka
bonde pakakosha apa tangai maudza mwari
muchaona muchigutsana nekugutsikana
nenhengo dzenyu dzemuviri.” Iyoyi
yekupedzisira ndiyo yakandivhiringa nekuti
nekunzwisisa kwangu zvinoitika kana
nguva iya yakwana ndiani angazokwanisa
kupfugama onamata? Unenge uchisangana
nemunhu wausingadi hako kwete
zvandainzwa pana Purity handifungi kuti
munamato iwoyo waitombodarika
paintroduction yemuzita rababa. Manje
mama vaisadzokera shure vakatangirira
ipapo pavakapedza kutaura takangonzwa
vakuimba vachidairana nemuzukuru wavo
Rhoda. Muzukuru wangu zvekuimba here
chero madzikoma ake ndaitombovati dai
zvaibvira ndaivasponser hangu vabure
album regospel. Dad vaida chaizvo kuimba
asi amwe mashoko vaitsenga mukanwa
zvairatidza kuti vaisamaziva. Ini
ndakangosimuka ndikamira ndakapeta
maoko ndichiyeverwa neava vairumbidza
mwari. Mama vakazondibata-bata
pavakatungamira munamato aimi ndakaita
kuvhura ese maburi emuviri kuti mashoko
avo anyatsopinda.

Mama: Mwari makatendeka, mutsvene


wekururama ndauya nemhuri yangu
pamberi peuso hwenyu takazvirereka
nekuzvidukupisa. Upenyu hwedu
munohuziva ishe wangu zvese
zvataishuvira taichema kwamuri saka
nazvino tinotsvaka nzira kwamuri nekuti
ndimi munozarura pakavharwa.
Takasangana nemiyedzo yakawanda
tikaramba takabatirira pamuri mukanzwa
kuchema kwedu. Vavariro yemubereki
umwe neumwe ndeyekuti vana vaanobara
vasafambe nemunzira dzaakapindana
nadzo. Tiripo kusakurira vana vedu nzira
panyama nepamweya. Nhasi uno ishe
toramba tichitenda nechipo cheupenyu
chamakatipa kuti tikwanise kuyarutsa zai
regondo ramakatipa mukatibatsira
kurikudza nekuripa upenyu
sezvamakatendera. Zvese zvataiita ishe
wangu taizivisa imi kuti honai nhasi
takundiswa budzi renyu ratanga chikoro
tikatevedza mastages ese kusvika zvazuro
uno patakavikira kwamuri zvakare kuti
zvaatanga business rake rambai
makavhumbamira. Chitarirai nhasi mwana
wenyu awana rumbabvu rwake inova nzira
yatinoziva tese kuti kumagumbo tinovaka
musha tokudza mhuri. Miyedzo yatotanga
ishe imwe ingange isati yabudikira hayo asi
ndinoti chiishaisai simba itadze kutumbuka.
Mweya yemadzinza ngaishayiswe simba
zvisaite pattern kuti kumhuri
kwaMapanzure vana vanobatwa kwadyiwa
mishonga. Ndinoraira mweya wemakuva
evasvava neropa rinoputsikira mudumbu
ishe ndichiti haina simba muvana vadai
kutarisana newanano yavo. (Vakuchema)
ishe handitarisiri kuona vana vangu
vachichema misodzi yandakabuda
ndichizvibvunza kuti ndini ndakatadzei
inga ndakakura ndiri mwana aiteerera
wani? Miyedzo ikawanda ishe tinorasika
tosvika pakurasa muromo kuti muriko here
inova mhosva huru yatinenge tichitadza
pamberi peuswo hwenyu. Chandinoziva
ishe ndechekuti muri Mwari vanopindura,
muri mwari vanopa zvichienderana
nekukumbira kwedu, muri mwari
vakatendeka saka kana paine
zvamakavarongera vana vangu vapei
ushingi netariro vasazorasika nekuti
hakuna zita rinokunda renyu. Huvepo
hwenyu mwari pabasa ratatarisana naro iri
kuchavandudza nekurerutsa zvese
zvigobudirira muzita renyu ishe
wemasimba ose Amen.

Takagara pasi pakamboita runyararo


kuchinzwikwa mama vaifemereka nekuda
kwekuchema kwavakaita. Dad ndivo
vakazosimuka vakati “tomutsana kuseni
ndichabuda kumaten zvangu ndichinoona
shamwari yangu aiti ane mombe dzaari
kutengesa ndoda kunzwa kana dzichiriko
kana kuti dzakatopera zvadzo.” Mama
vakateverawo vasina kutaura takazoona avo
vakukwidza masteps kuenda kubedroom
kwavo vabatana maoko nadad. Mabatiriro
aive akaita mama ndeaya ekuti unobata
ruoko nechepakati parwo wozembera
papfudzi. Vaidanana vanhu ava
ndakatoramba ndakavatarisa kusvika
muzukuru wangu Rhoda ati “haayaa kule-
kule saka irisei Zim ndaitoti pamwe
ndichawana machinjaka ini? Yakubvumai
kwazvo, pane mafriends enyu akambouya
achikutsvakai mamwe macoloured vak….”

Ini: hiii nhaiwe Peirre naAustin here?


Rhoda: ehe, vakaonana naMarian achibva
avaudza kuti makauya kuno akatozouya
navo kubasa kwangu vakatosvika futi
kumba kwana sisi.

Ini: hamuna kuvapa number dzangu


handiti?

Rhoda: aaa sekuru motiona seiko isu kkk,


takatoziva kuti Marian aitoda kuwana
matsvakiro enumber dzenyu nekuti
akamboedza tikamuti hatina. Pekutanga
pacho paakauya iii takashurwa-shurwa kani
hanzi sekuru venyu vakanditambisira nguva
yangu hazviperi zvoga. Mai Ashie vaida
kumurova vakabatwa nababa Anesu nababa
Ashie. Takamudzinga akadzokera kumba
kwavo pakamboita runyararo kusvika
paakazouya nemafriends enyu hapatorina
mwedzi zvaitika. Adzikira zvakanyanya aiti
amai vake vari kurwara apa murume wavo
vakangobva kubasa vakawana asiya
message yekuti aenda kumusha kwake
kuMalawi.

Ini: ko vana vadiki akaenda navo here?

Rhoda: haana akangosenga property


kusanganisira neyaitengwa nemukadzi
akaenda. Kubva ipapo amai vake havana
kumbozoita zvakanaka vanongogara vari
muchipatara kuda bp yakavakanganisa.
Mari manje yekuti vaone maspecialist
havana zvinotosiririsa.

Ini: Marian handimbomunzwiri tsitsi hangu


haana mumukanwa uya. Amai vake
ndaivaitira zvese unonzwa here
ndichivatora sekuti ndiamai vangu.
Magariro avaive vakaita nemurume wavo
iyeye ndaimaziva ndosaka ndakanga
ndazvipira kuvabetsera asi mwana wavo
aive nedambudziko kana kuti anotori
nedambudziko. Hapana chandinovenga
semunhu anoona sekuti vake vabereki
ndivo vakakosha kudarika vevamwe vese.
Ndaive ndazvipira kumuroora kwete
nekumuda asi kutomunzwira tsitsi
ndichiona situation yake kozoti nguva
yatakapedza tichidanana.

Rhoda: ndizvo zvaaitauraka hanzi makore


ese aya ndichiplayer role yekuve mudzimai
munhu akungozondifuratira zvake.

Ini: aida ndiite sei plus handina kumutuma


ini kuti azviite mudzimai iye asati ave
mudzimai (ndakaseka). Ndizvo
zvandaikuudza paya Rhoda kuti handisi
kuda kukuona uchienda kumba
kwemukomana wako pamwe wakatomboti
sekuru vanoda kutonga zvisina basa ava.

Rhoda: chokwadi henyu sekuru


ndakatombokushorai paya.
Ini: ndakazviziva but ukaona uchiudzwa
advice nemunhurume achitaura pamusoro
pevanhurume tenda mwari hako. Imagine
wouya kumba kwangu worara husiku
hwese uchirasa mweya pamwe wakashama
ziromo sepoto yabikirwa sadza ndingazoita
shungu dzekuroora here? Ndofanira
kunzwa shungu dzekuti dai ndatora munhu
wangu auye pamba ndigare naye nekuti
anenge achindisungira play waiziva?
Vamwe vasikana unopedzisira wakutovaita
maid zvako uchivabhadhara nebonde
kutomuudza kuti ndaenda kubasa ndikasiya
ndisina kutsvaira mumba wadii wamhanya
wanogadzirisa ndozokuona paweekend.

Rhoda: musadaro sekuru vana vasikana vari


kushandiswa kunze uko.

Ini: rega vashandiswe kana vakapusa.

Rhoda: chindiudzai varisei havo mbuya


vangu? Ndoda kutovaona live and direct
ndinyatsonzwisisa nekuti maiti uchaona
kana ndoroora muzukuru vanhu vanenge
vachibvunza kuti mukadzi wako here uyu?

Ini: but mapicture ndakatumira wani pane


chinoshoreka here, usandivanzira ndiri
sekuru vako ini?

Rhoda: mapicture ndakamaona handina


chekushora apa ndati ndoda live and direct.

Takaseka tikarovana maoko ndokuenderera


mberi achindiudza hake nyaya dzekwaaive
abva. Dzimwe dzaakataura ndedzeurongwa
hwekuroorwa kwake aida kuti mama
vagozomuperekedza kunoonekwa kumusha
kwemukomana wake. Takataura
zvakawanda kusvika nguva dzaenda ndipo
patakazoparadzana takuenda kunorara.
Taive nezvakawanda zvekuita muzuva
raitevera sezvo taive tatotanga kugadzirira
zvekuzoenda kunobvisa kumba kwana
Purity.

Pamba paive pakunakidza ndaive


newekutandara naye uye wekufamba naye.
Handishori hangu kuti zvandaida zvizhinji
ndaiita pamwe nasekuru Nigel asi vaive
munhu akaroora ndaiparadzana navo
nenguva kuitira kuti vasazonetsana
nambuya. Vaive zvakare nezvavaigadzirisa
zverwendo rwambuya rwaizoveko
mumazuva aitevera tabva kumarooro
kwaMadondo. Rhoda akanoonana Purity
ndikaona kuti akanyatsopererwa akazoti
“sekuru dai ndisina kumbosvika kumusha
kwambuya mai Two ndaiti pamwe uyu
munin’ina wavo.” Chero patakambosvika
kwasekuru Nigel akazvitaura futi. Nambuya
mai two vakaita sevachadonhedzana
nekumbundirana kwavakaita
pavakamhanyirana. Aigona kufara zvake
Rhoda aive munhu asingapererwi akasvika
pavanhu. Nambuya mai two vaitaura
zvakaitika mazuva avaigadzirira muchato
wavo nepakachema sekuru vangu vaona
chimoko chanonoka kusvika.
Zvaingonakidza kani taitotenderera
tichiona vanhu kuitira kuti tisarwadziwe
nenzara yataive tapinzwa namama iyi.
Mazuva edu ekutsanya akafamba zvakanaka
chose waitoti wakarara mahusiku wati
kunakidza here ikoko kwehope. Wainzwa
sewasvika kuCanan kusina nhamo
nematambudziko. Sevanhu vaive
vakagadzirira mari nechekare hapana
chakambonetsa taitononokerwa nekufamba
kwemazuva chete. Sekuru Nigel vakatsvaka
sekuru Takue kuti vagotora mavideo ndaive
ndaona video remuchato wavo ayewa
vaigona kani. Ndakatovati dai zvaibvira
vaivhura studio yavo vosiyana nekumukira
kubasa zvavaiita. Chandakada pana Sekuru
Takue ndechekuti vaive nemoyo wevarume
chaivo-chaivo kwete zvimwe zvirume
zvemuhembe chete zvisingafunge. Dai vaive
nemoyo wevanhukadzi wekusaregerera
pamwe vaitozotsamwa kuti sei ndakasvika
pakudanana naPurity wavaidawo. In life
munhu bvuma defeat woenderera mberi
neupenyu hwako. Vaive vakutoda
kuzembera Rhoda ndofunga vaiona
kutsvukira neganda rakatsetseka vakafunga
kuti vaive vezera rimwe chete. Aive mukuru
kwavari Rhoda vakatoshamisika achivaudza
makore ake uye akabva atovaudza kuti aive
afambira kuzozivikanwa nekubvisirwawo
nemukomana wake. Nyaya dzangu idzodzi
ndidzo dzaive dzamumisa nekuti aifanira
kuperekedzwa namama kunoonekwa.
Vanhu vakazoungana kusanganisira sekuru
Farai vakauyawo kubva kuSA. Mbuya mai
Farai vakadeedza hama dzavo kuti tiende
takawanda vaizivaka kuti isu
kwaMapanzure taive vashoma.
Ndakazvifarira zvavakaita nekuti hapana
chinodadisa sekuratidzwa rudo zvaibva
zvabvisa fear yaaive nayo mukadzi wangu.
Iye Purity kuyema kani pese pataitaura
pafoni aipedzisira akuita seakuda kuchema
hanzi “ndiri kutya ini Innoe.” Ipapo aireva
kutya kuti aizounganirwa nevanhu
achibvisirwa. Ndaibva ndaseka zvangu
ndopuruzira patrouser paaifanira kutya
chaiko. Ndaitononokerwa kani ndainzwa
kuda kusvika kumoyo chaiko musi
wandaizomubata.
Zvisinei hazvo mazuva akasvika pakaitwa
hurongwa, isu taingotevedzera zvaitaurwa
nevakuru vaive neruzivo. Magrocery
akatengwa namama, list ndakaiona
yakaunzwa nasekuru Chivige asi
zvakatakurwa ndofunga zvaitove ten times
zvaidiwa zvacho. Handina kumbobvunza
kuti sei vakatenga zvakawanda mama vaive
vasingadi kunzwa ndichipindira pakati
penyaya dzavo naPurity. Ungati vaive
vatoudzana kaionererwawo Purity nekuti
aiti akafonerana namama ndikamubvunza
kuti vaitaura nezvei aiti “inyaya dzedu
dzisingadi iwe.” Mama ndizvozvo futi
wainzwa voti “saka munhu haachatauri
nemwana wake musikana pasina
vanovhurira mazinzeve avo anenge
mashizha ecabbage?” Vaibva vaseka zvavo
zvekundisvotesa saka ndakapedzisira
ndisisabvunze ndakutya kupinzwa
mumagumbeze nesafety shoe. Pakaenda
vanhu kunoroora ndakasara nasekuru Nigel
ndivo vandaizotevera navo kana
tabvumidzwa kusvika. Sekuru Farai vaitipa
update yezvese zvaiitika kusvika
pavakazotiudza kuti taifanira kupinda
munzira tigarire pedyo. Takaenda
tikanomira pahiking spot paikwirira vana
Purity pekuti taitoona kuti pamba pavo apo
nekuda kwemota dzaive dzakazara-zara
kunze kwegate. Pataitaura nasekuru Farai
hana yangu yaive isina kugadzikana
ndichingoti pamwe vainyepa kuti zvinhu
zvese zvaifamba zvakanaka. Ndaida
kuzvinzwira ini vanhu vekwaMadondo
vachindigamuchira vondiudza kuti ndaive
ndave umwe wevana vavo. Takazodeedzwa
nasekuru Chivige tikasangana navo munzira
vakatanga nekutiita makorokoto ndikanzwa
misodzi yemufaro ichida kubuda.
Zvandaishuvira ndichikura kuti ndaida
kuitira vabereki vangu zvaizadzikiswa
zvishoma nezvishoma. Ndakatanga ndichiti
“ndikapasser grade seven mama vangu
vachadada neni.” Zvakaendeka zvidzidzo
zvangu zvese ndikavafadza handina kubvira
ndakundikana vaitoziva kuti Innoe anobuda
zvakanaka. Business ndirori handina
kubvira ndatora mari yemuhomwe mangu
kubhadhara vashandi rakasimuka
zvandaisafungira ini muridzi waro.
Ndaitove nepfungwa dzekuti paizopera six
months nditange kufambira zvekuti rikure
risvikewo kune mamwe matown then
tozoona kuti muAfrica ringasvika sei
especially in the Southern region. Mama
vaisandipa preasure yekuroora asi pane
pavaiita majokes vachiti “ndichatsvakirwa
muroora riniko ndidaidzwewo kuti
mbuya?” Vamwe vanotaura zvinenge zviri
mumoyo mavo kana vatsamwa asiwo
vamwe vanotaura mukufaro so
ndaitozviona kuti apa ndakutoshaisa mai
Innoe mufaro. Ndaive ndazoroora manje
chaive chasara chekupedzisira neniwo
ndaive nefear nacho yekuti what if satan
akaita simba sezvaakaita pavabereki vangu.
Mama nadad vaiti ndisafunge nezvazvo
zvaigona kuzotikanganisa asi ini ndaitadza
hangu.
Sekuru Chivige vakatisimbisa kuti tisatya
vaifarawo kuti vanhu vekwaMadondo
havana kuvanyadzisa. Takatombomira
pagate vachiti “daka ramunoona mudzimba
umu kazhinji rinovambiwa neungano
yaitwa iyoyi. Vamwe vanoti dai zvangu
zvega zvafamba zvakanaka kureva kuti
mwana asina baba, mwana asina amai kana
kuti mwana asina vabereki haafanire
kufara. Ndinogara ndichivatenda vakwasha
vangu vane moyo werudo nekuvakana
ndosaka muchiona vakabatana kudai.” Ini
zvangu kubva pandakavaona paya Purity
achirwara handina kumbobvira ndanzwa
muropa mangu kuti vaive vana bamukuru
vake. Kungoti payaka takasangana ndiri
mukomana unenge wongoti pamwe vanhu
vanofunga kuti zvichaperera musango.
Taingotya nhema vanhu vaive kwaMadondo
vaitodawo kuti tisvike tibvume kuti yes
taive tamuda Purity. Takapinda
tikabvunzwa mibvunzo yekuti taive
tagutsikana here kuti Purity ave
wekwaMapanzure? Sekuru Nigel vandaive
ndati ndivo vaizodaira vakashamisika
ndamhanyira mberi kare vachibva
vandikwenya vachiseka. Unononokaka
vanhu vakachinja moyo uchida kuita
hugentleman husipo. Ndaipota ndichibirira
kutarisa Purity kuti zvimwe
tingasanganidzana maziso but zvakaramba
ndaitoona musoro waive wakasungwa
dhuku. Ndakamunzwira tsitsi veduwe kuti
aigona kuzopedzisira akunzwa mutsipa
nekutarisa pasi. Ndaida kumbowana nguva
naye ndinzwe zvaaifunga nekuda kwezuva
redu iri raive rafamba zvakanaka but
takangoti tichinzi tave free dad
ndokutodeedzera kuti timbotandara. Paive
nana mukoma varume vana sisi vaPurity
ndakatofara kuwana mabrothers
andakakura ndisina. Ndakadzidza kubva
kuna sekuru Farai mazuva ataigadzirira
muchato wavo ndaiona kubatana
kwakanyanya nevarume vana sisi vambuya
mai Natie. Vana mukoma vangu vaive vanhu
vakasununguka hapana kumbobvunzwa
makore kana zvekuti basa ko vamwe
vasingazive vanofunga kuti ukava nemari
wave mukuru. Takabuda nemota imwe
chete nyaya dzichitotsva paye hanzi
namukoma vakuru vacho “haa munin’ina
kana wadai wagona manje nekuti gore rino
ndakanzwa kuti muchando umu kuchange
kuchitonhora zvekurevesa.”

Sekuru Farai: (vachindidenha)wave


munhuwo pavanhu handichanyari kuudza
vanhu kuti ndiri mai vako.

Sekuru Nigel: mundiyeuchidze tapinda


mutown nditsvake pekugara
ndimbomuyamwisa kekupedzisira.

Vana sekuru vangu vaionererwa kani


ndaingoseka hangu vaive vana mama
ndaive ndisina simba rekuvadzorera.
Ndaingosekerera nekuda kwezvaive
mumoyo mufaro wacho waive
wakawandisa. Ndaiziva chose kuti
raizosvika zuva rekuti ndichange ndave
nemukadzi asi pandaizvironga ndaiona
sekuti zvaizotadza kuzadzikiswa.
Ndaivhiringidzwa nemashoko aya
anotaurwa nevakuru ekuti kazhinji
waunenge uchida nemoyo wese haasiriye
waunozovaka imba naye. Zvangu zvaive
zvazadzikiswa hamheno kana paizove
nekuchinja pakati pangu naPurity nekuti
vamwe vanoti chokwadi chinobuda mave
kugara mese. Panguva iyi ndaive ndisina
chekushora ndaive ndapinda murudo naye
nemweya nenyama zvese hamheno kana
aizondirwadzisa kuti ndairarama here.
Vaiburuka vana sekuru nana mukoma
vachitenga zvaidiwa ini ndaive
nezvakawanda zvekufunga. Ndaive ndagara
ndavaudza kuti ndaitya kuburuka mumota
pamwe ndaizotsikwa nevegodo
ndoremadzwa ndozotadza kubata mukadzi
zvakanaka. Sekuru Farai ndivo
vakatomhanyira kuti “shuwa sara hako
wakagara kungoti tanonoka kuzvifunga
waidei wasara kumba nemuroora wangu.”
Vakatanga nekutenga doro tikabva
tikanotenga madrinks nenyama. Marasha
manje ekugochesa nyama akavatambudza
pese pavaipinda vainzi akapera. Vaidzoka
pamota bedzi kana vakuda kuchinja
kwekutsvakira but vaienda netsoka
vanenge vaitonakirwa nenyaya dzavaitaura
ndaingoona kuseka. Ndakamboedza
kufonera mukadzi wangu ikaenda
kuvoicemail handina kumbozoedza zvakare
ndakaturika makumbo pawindow
ndikazembera paseat ndoenderera mberi
nekupemberera zuva rangu.
Ndakatovhundutswa nefoni yangu
ndichifonerwa nambuya mai Munya
ndikakasira kudavira ndaiti pamwe
ndiPurity aive ashandisa foni yavo.
Ndakatosekerera kuti shuwa naiyewo
aitonzwa kundikarawo nhai. Mbuya
vakangotanga nekuti “makudzoka here
muzukuru munhu wako ari kungochema
uyu takus…”

Ini: aitasei nhai mbuya?

Mai Munya: hapana zvaari kutaura uyu


taedzawo kumubvunza but anotowedzera
kuchema.

Ini: regai nditaure nana sekuru ndinzwe


kuti tozvifambisa sei.
Purity aive queen zvekuchema izvi
ndakazviudza kuti zvaisafanira kuitika
under my watch. Ndakazvipira kuti
ndaizomufadza kweupenyu hwake hwese
as long as ave muupenyu hwangu sezvaive
zvaitika zuva iri. Zvakabva zvaita zvakanaka
kuti vana sekuru vakasvika vachiti pane
munhu akavaudza kwaiwanikwa marasha
akanaka uye akawanda asi nzvimbo yacho
yaive kuChitungwiza. Ndakavaudza zvaive
zvataurwa nambuya mai Munya zvikanzi
nasekuru Farai “ndambozvitaura kuti
waidei wasara. Isu takusara takagara pano
wonopa kule Takue mota vouya nayo
tozoenda kuChitungwiza. Dai tagara tauya
nemota two zvagara tange tisingakwani
kugara pakudzokera kumba.” Ndakaenda
nezvinhu zvavaive vatenga handina
kumbomira munzira moyo waitorwadza
kuti ndingawana mukadzi afainter
nekuchema. Ndakaita luck rekuwana
sekuru Takue vari kunze kwegate vanenge
vaitaura pafoni nekuti pandakamira vakati
“okay ndozokufonera back.” Ndakavaudza
zvaive zvataurwa nasekuru Farai vakati
vaizoshandisa yavo mota hapana
pavaizomirira kuburutswa kwezvinhu
zvaive zvakazara mumota yandaive nayo.
Ko ndakambozovaudza here kuti vana
sekuru vaive vakamira kupi ndiwoka
mabasa efoni vaizotaurirana. Ndakasiya
mota ndikaenda paive pakamira mbuya mai
Munya nevamwewo mai vainzi ndivo tete.
Handina kuvafarira ini ndofunga ropa rangu
neravo rakatadza kupindirana. Vairatidza
kuti vaive mufast nekuti nekukura kwavo
ikoko vaitaura sepwere dzinoita zvekurova-
rova pachidya uku gumbo rimwe chete
richizununguswa. Zvino nenyama
dzevanhukadzi ukangozunungusa chero
musoro chaiwo muviri wese unobva
wadairira. Mamiriro avaive vakaita
nambuya mai Munya vanenge vaitotsiurwa
nekuti ndakangonzwa mashoko
avakapindura ekuti “ko kukumbira kuba
here?” Mbuya mai Munya vakaedza chose
kutaurira pasi kuti ndisanzwe hanzi “ndizvo
zvinokanganisa dzimba dzevana izvozvo
hamuvazivi vanhu ava makutoda kuita
zvisina basa pano.” Vakavhara nekusekerera
mbuya vachivhura maoko vakati “hezvo isu
vana vahosi tichaonekwa here wangonzwa
kuti Pue ukamhanya chokwadi kuchembera
kwakaipa.”

Ini: ndokudai zvakafanana mbuya, mati


aitasei Purtiy uye ndingamuonewo here?

Tete: pamwe haachadi hakezve isu tichikura


taitoita vakomana vaviri kuitira zvikaramba
uku toedza zvimwe.

Mai Munya: ko mukanyarara nhai


mukwasha zvakaipei? (Kwandiri) rega
ndikuperekedze ari muroom make.

Mbuya vaionekwa kuti vaive nezvekutaura


asi vakatya so vakangozobvunza kuti ndaive
ndauya nemasweets here? Ndakambowana
chero nguva yekutenga chinhu here
nemasimukiro andakaita mutown iwayo?
Zvisinei hazvo ini handina kumboratidza
kubatikana nemashoko atete avo
vaitoonekwa kuti vaive nematambudziko
avo avaifanira kugadzirisa. Ndaive
ndakaudzwa nasekuru baba Farai kuti
“rudo runoda kuti unzwisise umwe wako.
Pane paunoudzwa mashoko akaipa
nevanenge vachida kukanganisa zita rake
manje kana uchiziva zvaari nekumuvimba
unongorega mashoko achidarika
usazununguswa nawo.” Takadarika
mudining maive musina vanhu takuda
kusvika pakitchen mbuya vakadeedzera
zvekuudza vana mama vaisekamo kuti
vangwarire zvekutaura nekuti
ndaizozvinzwa. Takaomberana tikadarika
tonanga kuroom kwaPurity. Mbuya havana
kupinda vakavhura door vakati “warara
here muzukuru?” Akapindura Purity akaisa
musoro papillow akatarisa kumadziro hanzi
“ayewa” ndokukwiridzira madzihwa
achipukuta maziso neruoko. Mbuya
vakasiya vavhara door ndikambotora nguva
kutenderedza maziso kuti pamwe
ndingasanganidzanaka nepaint
rakayanikwa pawardrobe sezvaiitwa
naMarian. Mumba maive makarongedzwa
zvakanaka umu ndakatoona hembe dzaive
muwardrobe side raive risina kukiiwa
ayewa dzaive dzakapetwa zvakanaka chose.
Akavhunduka anzwa ndakufamba
ndokusimudza musoro wake
tikasanganidzana maziso. Ndakasekerera
achibva avhara kumeso kwake nepillow
achigadzirisa hembe yaive yakapeteka
kusvika pamabvi.

Ini: (ndichigara pabed) ko chii babie hanzi


uri kuchema waitwa sei?

Purity: uri kutsvakei muno nhaiwe?

Ini: ndauya kuzoona iwe (ndichitora


chitowel chaive papillow) mira
ndikupukute misodzi ugondiudza kuti waita
sei?

Purity: ndozvipikuta ndega.

Ini: uchaona ndikakupukuta haizobudi


zvakare. Imbondimhoresawoka shaar asi
wange usina kundisuwa hako?

Purity: mhoro.

Ini: ani, kubva nhasi handichadi kunzi Innoe


hangu. Urisei hako wife yangu?

Purity: aaa ndoda kungonzi Purity hangu.

Ini: uchajaira hako, ndiudze babie chii


ndatonetseka pandanzwa kuti wange
uchichema? Ndoziva kuti zvinokuremera
shaar kuti patove nemachanges akadai asi
usazviisa pamoyo uchajaira hako ugotoona
kuti waizvipa stresa nezvinhu zvisina basa.
Chaunofanira kuziva ndechekuti I’m here
for you, I love you and I’m here to protect
you. Ukaita zvinokunetsa mumoyo
usaremerwa wega ukandiudza tinoonesana
babie. (Ndakabata ruoko rwake) ndiudze
Purity chero akave mashoko akataurwa
nevanhu pamusoro pangu zvinenge
zvakanaka kuti unzwe chokwadi kubva
kwandiri.

Purity: hapana zvambotaurwa asi (akatanga


kuchema zvakare) ndangofunga kuti dai
dad vangu vange varipo nhasi.

Ini: tese takadai ndizvo zvatange


tichishuvira asi ukangonzwisisa kuti
ishuviro unotoona wega kuti I’ts not in our
power kuti zviitike. Dad vari kuona zvese
vari ikoko kwavari pamwe vange vachifara
asi nekuda kwekuchema kwauri kuita
pamwe vakutofunga kuti he failed you
nekuenda kwavakaita vachikusiyai. Mufaro
wedu isu vapenyu hanzi ndiwo unopa
vakafa zororo. Nguva yauri kuchema iyi
waidei uchitovaudza kuti now dad ndawana
vamwe dad chandakuda kuti
mundibvumidze kuve mumaoko avo. Dad
vangu vave vako uye vana dad vari pano
handioni sekuti vane problem vanokuda
Purity hona vabvuma kufambisa nyaya
dzedu zvakanaka. Dai zvichinzi dad
vakafamba rwendo yes waifanira
kurwadziwa kuti vanhu vaenderera mberi
nehurongwa hwakadai ivo vasipo dai
vabvuma kuti tivamirire.

Purity: handina kumbozvifunga zvese


izvozvo thanks hako.

Ini: neniwo ndinotenda nekunzwisisa


kwako ndozvakanakira kuudzana zvinenge
zvichinetsa tinobva taonesana.
(Ndakakisser ruoko rwake) thanks babie
ndoziva kuti pachine rwendo asi zvataita
izvozvi zvakakosha zvinoratidza kuti we are
going somewhere.

Haana kupindura aive atarisa pasi ini manje


ndaitoda kukisser malips andaive
ndakatarisa aya. Kutoona zvangu setaive
tapiwa bedroom nyama dzangu
dzaipengereka kana dzangoona bed
nemablankets. Ndakaisa ruoko muhuro
akabvisa ndokudhonza pillow akabata.
Door rakavhurwa vaive tete vaya kana
kuknocker zvavo vakatouya vakagara
pabed. Vakaseka vakarovanisa maoko
ndokuti “wazonyarara wani Purity ko
waregerei kutaura kuti uri kuda murume
wako auye nhaiwe?” Vachitaura
vakasebedza musoro kwandiri “asi
makatooo heede asi katove kemanzeve
kanoda baba padhuze?”

Ini: (ndave confused) nzeve dzei?


Tete: nhumbuka, ini pandakaita nhumbu
yangu yekutanga ndak…

Ini: zvenhumbu zvabvepi nhai tete asi ndiyo


yega inochemedza?

Tete: (vakatozviona kuti ndaive ndachinja


face) kungobvunzawo zvangu ndiroka basa
redu sana tete.

Vaizviitisa mai ava plus ndakaona sekuti


vaive nekahunhu kechipfambi pamwe ndivo
vaive vakafanana naPaida. Ukaona munhu
asingasarudzi mashoko ekutaura pavanhu
anenge achitove nedambudziko.
Ndakawana mukana wekuvaongorora ko
zvavaitove mukadzi ane chiso chakanaka
nekuchimiro chakanaka zvakare asi kugeza
kunenge kwaivanetsa havo. Pandakavaona
panze vaive vakasunga zambia iri
mumazamu chaimo asi pavakazotevera
mumba apa vaive vabvisa vasara nejean
skirt kumusoro kwaive net-shirt yeArsenal.
Pavakaona kuti nyaya dzapera isu taive
tangonyarara tichimirira zvavaizotaura
vakati “mabasa anowanikwa here nhai
bamunini?”

Ini: ndiani arikuda basa nhai vatete?

Tete: (vachirerekera musoro) ini hangu.


Ini: mabasa andakanzwa kurikudiwa
madriver ematruck.

Tete: aaa kana pakadaro saka ndaita


munyama ndange ndichida chero remumba
kana kutsvaira mumaoffice hangu.

Ini: mukaramba muchitsvaka moriwana


henyu.

Takagara navo mai ava nyaya dzichipera


dzimwe dzichimuka kana
kumbozvifungirawo kuti taidawo nguva
yedu tiri vaviri. Vakatondishamisa
vachipinda mutoilet yemuroom maPurity
imomo kana kumbonyara zvavo and
vakadzoka vasina kumbogeza maoko futi.
Vana sekuru vakasvika pakudzoka
ndichibva ndaoneka ndokubuda kunogara
panze nevamwe. Kungobuda kwandakaita
ndakaona naivowo vabuda ndokuuya
kuzogara kwataigocha nyama asi apa taive
tave nana maiguru vana sisi vaPurity. Purity
aive abudawo ndakaona aina Rhoda
nambuya mai two akabereka umwe mwana.
Vana mama vaiita sevaive kuwomen
conference vabatana nana mbuya mai Farai
waiona wega kuti madzimai ari kunakirwa
nelife. Ini ndakamboda kubatikana
nezvakaitwa natete avo asi
ndakakurumidza kuzvidzora ndaive
ndakutoda kutendera mhepo kuti
dzindibate. Ndaida chose kuwana nguva
naPurity asika vaizosvikepi
vachitivharidzira handiti paitandara vanhu
ipapa takatoudzwa kuti vakawanda
vaizomuka vachienda. Purity ndaizomuona
kusvika ndaneta aive ave wangu uyu chero
sekuru Nigel vakadarowo pavakandibvunza
kuti sei ndaive low-low. Vakandiudza kuti
ndaifanira kutoratidza mufaro wangu vanhu
vagutsikane kuti ndaive ndaroora ndichida.
Ivava tete chete ndivo vaitoda kuita
problem vamwe vanhu vese vaingozvifarira
mune zvakanaka. Takazoparadzana late
kwakutonzwikwa kachando kaya kanorova
kana kunze kwakuda kuchena. Purityk
handina kukwanisa kuonekana naye tiri
pedu tega ndakangomuisira message akati
“mufambe mushe.” Ndakamuudza kuti kana
zvaizokwanisika taizoonana muzuva
raitevera.

End of chapter 1

Love you guys


CHAPTER 3

*Innocent*
Dai kuroora kuchiitwa week vanhu
vakaungana zvavo ini ndaive ndisisadi kubva
kwaMadondo. Panoungana vanhu
panotaurwa nyaya dzakasiyana-siyana
unotodzidza zvakawanda kana uine chido
hako. Vana dad vekwaMadondo ava ayewa
excellent vaingodika zvavo nekuda
kwehunyoro hwavaive naho. Naivo vaisada
zvekuti tiparadzane asika taive nemabasa
ekuita kuti tiraramise mhuri uye ivo
vaitoshanda mabasa ekuti kusavepo kwavo
zvese zvaibva zvamira. VekuVic-falls vaive
nevarwere vaviri mumba saka pakuonekana
vakatotaura kuti zvaisashamisa kuti kana pane
zvimwe zvinenge zvichida kurongwa vaigona
kutadza kuuya. Panyaya dzemombe dzaifanira
kutakurwa vakangoti titaure nasekuru baba
Munya ndivo vaizosvitsa shoko kuna dad
vakuru.
Patakabva paMadondo takananga
kuBelvedere tikasvika tichirara chero sekuru
vangu vekutaurisa ava hope dzakavakunda.
Mama nadad vakananga kumba asi vakati
taifanira kumuka tichienda kumba tese
naRhoda nekuti vaive vakuda kutanga
kufambira nyaya dzake. Mukomana wake aive
ambofona achiti vanhu vaive vamirira kuuya
kwavo kuzoonekwa asi akanzwisisa
patakamuudza zveurongwa hwandaive nawo.
Hope dzacho dzakatitsikirira tikamuka ten
yachaya zvayo kare. Ini ndaive neurongwa
hwekunoona Purity futi apa kumba ndaidiwa
ndakabva ndapererwa. Takageza tikadya
ndokubuda nana sekuru takananga kumba
kwedu. Havana kunogarisa vakangosvika
vachikwazisana namama vaive mudining
vakatoti vakudarikira vaida kunoona mama
vambuya mai Natie. Dad takawana vakarara
mama vakatoti “chero kudya havasati vati
vanoda kuzomuka hope dzanyatsopera.”
Rhoda akasvika aina mbuya mai two, time
yatakabva kuBelvedere vaive vabuda vaenda
kumba kwambuya. Pavakasvika vakati vaida
kuenda kuchurch akabva atochinja hembe
Rhoda akati aive ataura nemukomana wake
akamuudza kuti kana aine zvaaida aitaura
namama. Ndakaita kakusafara zvangu
paurongwa hwaRhoda uhu handiti mukomana
wake aifanira kuuya kuHarare ozotanga
aonana namama then zvaivaitira nyore
kuenda kumusha kwavo vakuziva zvakawanda
pamusoro pemukomana wacho. Hamhenowo
ndaive nezvanguwo zvaindinetsa ini zvaida
kuti ndiise pfungwa nesimba rangu rese kuti
zvibudirire. Muchato wangu waitofanira
kuitwa muna April pasina kukundikana kana
paizoita kusudurutswa kwemazuva nemwedzi
zvaireva kuti taizochata hedu Purity atove
kumba kwedu. Pakabuda vana mbuya mai
two vachienda kuchurch ndakasara
ndichienda kuroom kwangu kunorara ndaida
kuzomuka ndichienda kunoona Purity. Dai
nguva yaimhanyiswa zvayo ndaidei ndakati
mwari vandiitire sekudaro. Ndaive ndakuda
kugara nemukadzi wangu ini ndichiyema
hangu sezvaiita dad izvi. Ipapa vaive vakarara
zvavo kubedroom uku mama vachimhanya-
mhanya nekubika. Ini ndaida kurariswa
pamakumbo ndopuruzirwa kumeso
ndichikiswa kusvika hope dzabata. Ndaida
zvakare kuti ave pedyo neni torara
takambundirana kuita munhu one tichifema
mweya umwe. Dai ndakaziva kuti kumba
kwaisave nenyaya dzine musoro ndaidei
ndakaenda hangu nana sekuru kuGlenview.
Hope dzacho dzakaramba kubata
ndikagadzirira kuti ndiende kunoona Purity.
Ndakatogeza ndikaburitsa hembe ndikafona
ndakuda kupfeka akapawo maexcuse ake.
Zvainzwisisika hazvo hapana paizoti vanhu
vabva kuita nyaya dzekuroora vongomuka
kuseni vachitoparadzana pamwe vaidawo
kuwana nguva yekuonesana nezvemuchato
wataive takatarisana nawo. Ndakabva
ndangopera simba ndikapinda mumachira
kurara hangu apa kwaitonhorera kani nekuti
kwaive nemakore. Ndakamuka manheru
pakasvika vana sekuru vakateedzana nambuya
mai two vaiuya kuzosiya Rhoda. Sekuru Farai
vakati vaizomuka vachienda kuSA so
ndakatora mukana iwoyo kuvatenda
nekuzvipira kwavakaita kusiya basa ravo
vachizomira neni pazuva rangu rakakosha
kudai. Ko ndaizivei hangu kuti sekuru Nigel
nambuya mai two vaizosimukawo musi
weChipiri vachienda kuNigeria. Ndakatonzwa
ipapo kuti sekuru nambuya mai Farai
vaizodzokera kuBulawayo kana vana mbuya
vaenda. Mama vakatiwo pamwe China
vaizosimuka kuenda kumusha kwemukomana
waRhoda kunoonekera asi vaigona
kungonorara zuva rimwe vomuka vachidzoka.
Dai mwari vaiudzirwa zvekuitaka taiita
chikumbiro chimwe chete chekuti varege
vabereki vachengete vana vavo kusvika vakura
vozofa havo vasiya vana vave nemhuri dzavo.
Rhoda aive asina amai kana baba saka zvese
zvaitonoitirwa mumaoko ana bamunini. Aiti
pakashaya vabereki vake akashungurudzwa
zvakanyanya nana mainini vachimuita
mushandi nekumunyima chikafu saka
hamheno kana vaizofara nekumuona
achiroorwa zvakanaka. Akatotaura nadad
ipapo akati “sekuru kana vana bamunini
vakanoita zvekuomesa musoro zviri nani
ndizobvisirwa pfuma kuno. Ivo vanongovepo
pakucharger mari kana zvapfuura votora yavo
voenda.” Mama vakamuvimbisa kuti vaishinga
kunamata pamwe naye kuitira kana pane
mhepo dzewakaipa dzishaiswe simba.
Takabuda nana sekuru takuenda kuBelvedere
ndikatotaura kuti ndaizonorarako. Vana mama
vakati vaizomukira kuseni-seni vaive vasati
vawana nguva yekutenda vana sekuru baba
Farai nebasa ravakabata kwaMadondo.
NaPurity takataura pafoni ndikamuudza
zverwendo rwasekuru Farai kureva kuti
ndaisazokwanisa kumuperekedza kuchikoro.
Mbuya mai two vakanosvika vachitora
mukadzi waMukundie vakaenda naye kumba
kwavo kuti anovabatsira kurongedza.
Ndakaona hangu kuti mbuya vaingoita zvekuti
vangagodii asi vanenge vaive vasisadi
zvekuenda kuNigeria izvi. Vaingozviomesera
mbuya vangu ko vainogarisa here handiti
vaingonoita two weeks votodzoka. Pamwe
chaivavhiringa havo inyaya yekuti sekuru
vakaramba kusara vanenge vaiona sekuti
zvaizoaffecter kubasa. Chandakada zvangu
ndechekuti sekuru baba Farai nambuya
vaikurudzira chose kuti mbuya mai two
vaende mberi nechikoro. Kazhinji vana
vanotadza kusupporter vakadzi vavo vachitya
kuti vabereki vanozoti chii. Panotaurwa zviri
negative but mukazviongorora haisi nyaya
yekuda kuchengetedza marriage yevana asi
vanenge vachirwadziwa kuti mwana weumwe
munhu abudirire. Handiti kudzidza kwambuya
kwaizobatsira mubusiness refamily uye
kuvawanisa maopportunity akasiyana-siyana
aizobuda kunze kwenyika. Pamwe
zvaizobatsira futi vana ivava vaizvarwa nekuti
kana mwana achida kunodzidza kunze
kwenyika pakaita akamboendako
zvinomurerukira kuti azive advantages and
disadvantages. Ndiwo mashoko chaiwo
akataurwa nasekuru baba Farai waitofunga
kuti pamwe vairairira mama Felie nekuda
kwekuzvipira neushingi hwaive muvoice ravo.
Ndakanzwa sekuti vaizoita two days kuSA
vachiona mbuya mai Natie then vozodarikira.
Vanhu vaitumira sekuru Farai mamessage
ekuti vadzoke kubasa vaitikanganisira mufaro
wedu. Ipapa hazvirevi kuti vaikurumidza
kudzokera nekuda asi vakatonzi vakasire pane
zvaive zvamuka kubasa. Pahurongwa hwavo
vaive vati vaizoenda pamwe nemaNigerians
aya. Handisi ini ndakavatumidza kuti
maNigerians ndakanzwa vakudeedzwa
nambuya mai Farai vachifara havo nevana
vavo. Hatina kumbonyatsotandara nana
sekuru nekuti vese zvavo vairatidza kuti
vaifungisisa nezverwendo rwavo. Sekuru Farai
vaiti pane mwana waminister wavakasiya ari
muICU so vaifungira kuti pamwe akazosara
akashaika. Ndizvo zvairwadza chete pabasa
ravo kuti kufa kwemunhu kwaionekwa sekuti
ndivo vanenge vakonzeresa. Vanhu vane mari
vanofunga kuti kana vakabvisa mari yavo
zvakureva kuti munhu haachafi.
Ndaivanzwisisa zvangu vachiratidza
kushungurudzika nekuti vamwe vakada
vanotokusuer for negligence wobhadhariswa
mazimari akawanda. Vakavimbisa kuti
vaizodzoka kana vawana zvinhu zvese zviri
mugwara. Takanorara musame room ndini
ndaizovaperekedza kuseni so takaitira kuti
tikwanise kumuka nguva imwe chete.
Kuseni kwacho takazoenda tiri three nasekuru
Nigel tikanosiya vakwira sekuru ndokudzokera
kumba. Ndakanodarikira kuenda kubasa
ndichiitira kuti ndigowana mukana
wekunoona Purity. Kumba kwainetsa kubuda
nekuti vana mama nadad vaive vagara vataura
kuti vaida kuzoenda kuBelvedere kunotenda
vana sekuru nekufambisa kwavakaita basa
rangu. Ndepapi pavaizotenda ndotadza
kugarawo mumba imomo zvaizoita sendisina
tsika. Ini ndaive ndatotaura navo mbuya
nasekuru tikanzwisisana vaisave vanhu
vanoda kunamatwa zvavo vakatondipindura
kuti “ndiro basa redu iroro muzukuru. Mbuya,
sekuru kana tete mufamily vane basa guru
ukatoona usinganetswi nevana zvibvunze kuti
ndosvikika here kana kuti ndotyisa. Unenge
wakafanana naamai vanogara nevana vavo.
Vana kana paine chavanoda vanotanga vaudza
amai vachikumbira mvumo and haumbonzwi
amai vachichema-chema kuti inga zviripo
pachena wani vanotoziva kuti mwana
anotanga akumbira opiwa mvumo.” Mashoko
ambuya mai Farai aya ndakabva
ndavaomberera maoko vakafunga kuti
ndaitamba navo asi kutaura chokwadi
vaitaura mashoko akakosha.
Sekuru Chivige ndakawana variko kubasa
ndikashamisika nekuti ndaive ndambonzwa
naPurity achiti vairwara nekuda kwedoro
ravakanwa rakawandisa. Chandaivadira
ndechekuti vaikoshesa basa ravo havana
kubvira varatidzira kuti vanoda favour sezvo
vaive sekuru vaPurity. Ndakavati vadzokere
kumba vagouya vakunzwa zviri nani
vakaramba hanzi “ukadaro watodzidzisa
vamwe vese ava misikanzwa vanenge vakuti
ko sekuru vake vanoita zvavanoda wani.
Muviri wangu wakarukutika handirambi asi
handina kukuvara kana kurwara ndiri pabasa
ndini ndakatadza kuzvidzora pandainwa saka
ndichapora hangu.” Basa raivepo rakawanda
kwazvo, seMonday kudai ndipo paiuya vanhu
vaitenga fertilizer. Mari yaipinda ko
ndikanyepera kuti ndaingowana yekuti
ndirarame chete ndaizoita sendaishora kupa
kwamwari. Handina kukanganwa hurongwa
hwandaive naho hwekunoona Purity.
Takagara tataurirana masikati kuti
ndaizonomutora apedza zvekuchikoro
ndozonomusiya kumba. Ndainonokerwa kani
ndaida kumuona ndigutsikane kuti ndiye here
wandaitaura naye pafoni kubva zvatakanga
taparadzana musi weSaturday. Aive achinja
ndaiyemerwa nekubvunzwa-bvunzwa
mibvunzo yekuda kuziva kuti ndaiitei, nani
uye kupi. Jealous rudo ndaibva ndanzwa
kuzadzwa mweya werudo kuita kuswimer
chaiko. Zvisinei hazvo nguva yakakwana
ndikatoisirwa message hanzi “watobva kubasa
here ndiudze kuti wakamira papi.” Veduwe
ndakaita sendichadonha ndakumhanya-
mhanya kunotora makey emota kuoffice.
Zvichibvawo nevakomana vaishanda pabay
vaingoita mafun akazokonzeresa kuti
ndirasane nenguva. Ndakapindura nemessage
ndave munzira ndichimuudza kuti ndaizosvika
nekukasira aifanira kundiudza
pandaizomuwana. Taive tatove nekanzvimbo
kedu kekuonana pacorner paiperera fence
ndipo paakati ndaizowana akagara
pamatombo aivepo. Ndakafamba chaiko
akatoramba pandakamuudza kuti paakafona
ndaive kubasa akatofunga kuti pamwe ndaive
ndakaparker pedyo. Ndaiti ndichagashirwa
nehug but akaramba zvake uye aitonyara
kutarisana neni kumeso. Ndaizomupedzera
pese pandaimuyeva ndichitadza kudzora
maziso ko aiyevedzaka mukadzi wangu
ndaisaneta kuzvibvunza mubvunzo wekuti
ndaive ndamboiteiko kupiwa mukadzi akadai.
Akapinda mumota ndikadriver ndichitsvaka
pekuti tigogara pakanaka tichironga
zveupenyu hwedu. Tatifambei
ndakamubvunza “babie uri kufungei
nezvakaitika paweekend? This is our life, this
is our moment tinofanira kufara asi kufara
kwacho kunobva pakuti tazvigashira here
pamoyo.”
Purity: (akaita kakugomera) ehe
ndakazvigashira uye ndoda kungoti thanks
hako.

Ini: thanks for…?

Purity: haungazvinzwisisi hako nekuti vanhu


vanoona sekuti ikodzero yekuti varume
vabvise pfuma. Kubvisa kwacho kune
musiyano anenge anzi abhadhare madamages
evana anoverengwa kuti abvisa. Vamwe
vanoroora guva hama dzemukadzi dzaramba
kumuviga kana afa asi paanofamba pane
vamwe anoti ndakaroora.

Ini: (ndakapererwa nemashoko aaitaura


mwana uyu ndikareducer speed) chii babie asi
pane zvakataurika?

Purity: (akatanga apukuta muromo wake)


ayewa hapana handiti wandidimbudzira
ndisati ndapedza here?

Ini: okay ndakateerera.

Purity: hauna kumanikidzwa wakaronga wega


kuti ndizvo zvawakuda kuita saka ndoda
kungoti thanks hako. Dai usina kuzvipira kuita
zvakanaka hapana pandaizokubatira demo.
Ini: mashoko ako ndiri kumanzwa thanks hako
nekuappreciater zvandakaita handina
kumbobvira ndafunga kuti zvingakufadza
zvakadai. Ndaingoti ndiri kuita zvinhu zviri
pamutemo.

Ndakamubata pachidya ndikapuruzira haana


kubvisa ruoko rwangu akangotarisa panze
nepawindow hake akanyarara. Ndakamuudza
kuti ndaida kumira mutown ndikatsvake
chikafu achibva ati “okay” akatonyarara. Taive
nezvakawanda zvekuronga zuva iri saka
hapana pataizoswera takaomesa miromo
kuita sevanhu varasika. Tisati tatombosvika
mutown macho ndakafonerwa nasekuru baba
Farai vachiti vaida ndikasire kusvika kumba
pane hurongwa hutsva hwaive hwamuka.
Chero Purity akavhunduka paakaona reaction
yangu pandaitaura nasekuru. Ndaiti
zvekuroora zvapera handiti ndivo futi vakati
vaida mhinduro yedate remuchato vasati
vadzokera kuBulawayo saka taironga nguvai?
Ndakamuudza Purity akati “pamwe vaona kuti
hazviite vataure pafoni zvakutoda kuti uende
unonzwa kuti kwaitikei.” Chandakaramba
ndechekuti ndikwidze Purity kombi kuenda
kumba ndakatoti ndainomusiya hangu at least
aizoonawo kuti ndaive neshungu dzekuve
naye asi zvirongwa zvacho zvaiwanda.
Akamboita nharo achiti ndaizoita
sendisingateereri asi akanditadza ndakaona
kuti hazvina kumubata zvakanaka zvandakaita
apa. Taizotaurirana hedu tonzwisisana asi apa
ndakashandisa masimba angu nekuti taive
tatopinda mutown handizivi kuti taive
taonekwa nevanhu vangani saka kumusiya
ozoona zvaanoona zvaizondiremera futi.
Chikafu chandaida kutenga akachiramba
achiti zvaizokonzera kuti tinonoke mongoziva
kuti mashop emazita aya anotengesa chikafu
unotowana muine line chairo. Nyaya dzakaita
shoma pakuenda kumba anenge aitoshaya
kuti ondimhanyisa sei ndikasire kuenda
kwandaive ndadeedzwa. Ndakanomusiya
pagate ndikamuti amhorese mbuya mai
Munya.
Kuroora kuya kwandaiti kuri nyore kwaive
koda kundiomera manje. Ndakanowana
sekuru baba Farai nadad vachironga zvekuti
mombe dzakabviswa kwana Purity
dzinotorwa kufarm kwadzakatengwa. Munhu
wacho ainzi akatumira message kuti
kwaifamba mbavha mazuva acho saka aityira
kuti dzaigona kubiwa. Dad vakangovaviwa
nemari zvavo but mombe dzaidei
dzakangobva kumusha kuMberengwa zvino
chero dai tainodzitora kwacho taidziisepi.
Nguva yemibvunzo nekupiwa mhinduro paive
pasina muridzi wefarm aive atotipa kusvika
muzuva raitevera chete kuti tinge tadzitakura.
Ini ndakati dzitorwe dziende kuMberengwa
sekuru baba Farai vakaramba hanzi taifanira
kuzivisa vanhu vekwaMadondo pamwe
vaizotipa plan iri nani. Takafonera sekuru
Chivige vakati vakudarika nekuBelvedere
vachibva kubasa. Zuva raive rakudoka zvaro
havana kumbotora nguva takanzwa vakuti
vaburuka pamashops. Vaitya kurasika saka
vakati vakumira pamashops ipapo
vakatonotorwa naMukue. Vachisvika
takavaudza zvemombe vakafonera dad
vekuVic-falls sezvo kuri iko kwaisvikira nyaya
dzese. Takambopusa pavakadaira vachiti vaida
time yekufunga kuti vodii then vaizofona
back. Havana kutora nguva zvavo vakafona
pafoni yasekuru Chivige vakavaudza kuti dad
vahombe vaive kumusha. Pavakasimuka
vachidzokera vakaenda vachinoona kumusha
uye hanzi vakati vaizodzokera kubasa kwavo
paweekend yataive takatarisana nayo.
Mombe dzatsano Allan neyavo vana dad
dzaigona kuenda kumusha but pakamboda
kunetsa pamombe dzamama. Sekuru baba
Farai vakataura nadad vaive kumusha ava
vakavaudza zvaivepo vakakumbira kutaura
nasekuru Chivige. Vakatozofonera mama mai
Madondo ko yaitove process refu yaitoda
kuve nemoyo murefu. Kumusha kwasekuru
Chivige kwaive kure hapana pataizotakura
mombe kubva muHarare dzikanosvika
zvakanaka ikoko. Ikoku kwana Purity ndiko
kwaifambika zvakanaka uye vaiti road yacho
yaive yakanaka chose. Vakazotenderana kuti
mombe dziende dzese kumusha
kwaMadondo then dzamama dzaizotengeswa
vopiwa mari vonotenga dzimwe kumusha
kwasekuru Chivige dzaizochengetwa ikoko.
Ndakaombera maoko ndikati “umm ndange
ndatopererwa saka kana zvadai zvaperaka
sezvo mati mota yange yatowanikwa?” Sekuru
baba Farai vakaseka vachidzungudza musoro
zvikanzi “asi unoputa fodya nhai muzukuru
wangu? Mombe idzi ndedzekuroora hadzisi
dzekutenga dzaunongopa driver kuti
unotisvitsirawo separcel. Totomuka tichienda
kumusha mota yemombe pamberi isu
pamashure nemunyai wedu tonosiya
tagutsikana kuti mombe dzasvika. Pane mari
dzinobviswa dzekuti mombe dzipinde
mumusha.”

Ini: (ndichishamisika) neniwo here sekuru?

Baba Farai: imi vakuru vangu.

Vakaseka vese nadad ndikambobatikana


nekuti ndaiona sevaida kundirwadzisa. Pane
vanhu vatakamboona vachitambudzwa
nemombe dzaitiza musango pataibva
kuMberengwa kare pandaive ndichiri kuhigh
school. Pamwe zvaizoitika musango izvozvo
toita basa rekudzinganisana nadzo. Ndaigona
kutsvaka vakomana vekubasa kwangu
vaizoenda nadriver handiti chaingodiwa kuti
mombe dzisvike here? Kuenda kumusha
kwausingazivi ndaitya ini ndosaka ndaive
ndambotaura zvekuti tibvise iri mari chete.
Vana dad vaive vatopedza zvavo havana
kumbodawo kunzwa mafungiro angu vakatoti
“woperekedza sekuru vagonozorora
mangwana tofanira kufamba kuchiri kuseni-
seni.” Ndaigodii hangu ndakavaperekedza
vachitoedza kutaura neni nyaya asi
ndakatadza kuvhara kusafara kwangu so
vakapedzisira vanyarara. Zvandakaita musi
uyu zvainyadzisa ndakazvishora ndakudzokera
kumba nekuti handina kumbonopinda gate
kuti ndikwazise mai Madondo. Ndakawanza
hasha ndikatsamwira munhu wese chero
Purity akafona achibvunza kuti sei ndisina
kupinda mumba ndikapindura kuti
ndaimhanyira kunogadzirira zverwendo. Voice
rangu raive remunhu akatsamwa so
pandakapindura akangoti “okay umhorese
vamwe.” Ndakanowana sekuru Nigel vasvika
kuBelvedere handizivi hangu kuti vaibvepi
nekuti pandakabva kunoona Purity ndakanga
ndawana vasipo pamba. Ndakazoona paint
yaive pahembe dzavo ndikafungira kuti
pamwe vaibva kulodge rambuya mai two.
Time yandakaona paint mbuya mai two
vaivepo saka dai ndakabvunza ndaigona
kuzovapinza panguva yakaoma.
Pakadai paisatandarika mufaro wangu waive
wamedzwa nefear. Chimwezve ndaiti sezvo
zvekuroora zvaive zvadarika ndaizowanawo
nguva yekuita zvekubasa kwangu nekuronga
muchato wedu. Zuva raifanira kubuda date
ndirori vakatitadzisa vakutipa mutoro
wemombe dzataive tavapa. Ese mashoko aya
ndeekuratidza kubatikana kwandakaita
zvaisahwandisika zvachose. Sekuru Nigel vaive
nerwendo muzuva raitevera zvairevei izvi kuti
vanhu vakamira neni ndichiita zvekuroora
ndoshaya mukana wekuonekana navo.
Kutaura chokwadi taive takungoraramira
nyaya dzekwaMadondo nekuti dzakatanga
pakabiwa Purity paya tikaita zvekucourt
nekugadzirira kuroora. Sei vaitadza kuonawo
kuti takarwisa pedu vongotuma munhu
aizoenda pamwe nadriver vakatakura mombe.
Ndaizvifunga ndega ko ndaiudza ani ivo vana
dad vakatoratidza kuti yaive kodzero yedu
kunosiya mombe dzasvika kumusha
kwataisaziva futi. Vana sekuru Nigel vakarara
vatonzi vaizoperekedzwa kuairport naMukue
nambuya mai Farai. Isu taizosangana
nemunhu wemota yainotakura mombe
kumafour toenda tese kufarm. Time yataive
takurara sekuru Nigel vakauya kuroom
kwangu vaive vazviona kuti handina kufara
nenyaya yekuenda kumusha iyi.

Sekuru Nigel: (vachigara pabed) eee hanzii


dad vangu usandivanzire waitwei?

Ini: sekuru makuteedzera zvinotaurwa


nambuya mai Farai here?

Sekuru Nigel: kkk vanomboonererwa havo


kana vachida kutibhowa naFaa unonzwa voti
ndibaba venyu ava musandishungurudzira
murume wangu.

Ini: pakaipa kule kubva zvarwara Purity


kuenda kubasa kwainetsa kusvika taenda
kunobvisa now takutiwo tichironga zvemberi
kwakunzi tiendese mombe kumusha. Dai
vakagaraka varonga kuti tinobvisa kumusha
asi vakati mutown muri right.

Sekuru Nigel: saka dambudziko rako riri papi


apa handisi kunzwisisa?
Ini: zvese izvozvi zvekuenda nemombe
kumusha.

Sekuru Nigel: wakuda kutorasika manje ndipo


pazvinotangira ipapa. Uri kuda kuti kumusha
kuende ani achinomirira iwe handiti ndiwe
waichema-chema paya uchiti sei wanzi usare
wozotevera mari ichinobviswa? Unofanira
kuziva kuti waroora nekuda kwekuti unenge
uripo zvichiitika mangwana unowana
zvinokuyeuchidza kwamunenge makabva.
Uchaenjoyer mukadzi wako wega saka why
usingadi kufambira nyaya dzekuroora kwako
shaar? Kungoescorter mota inenge yakatakura
mombe monosiya zvenyu modzoka pamwe
hamumborariko wakutoti waremerwa zvako
usadaro Innoe. Life hapana painoita
muchechetere shaar iwe mukadzi wako ari
kuuya achiziva kuti anodiwa newe zvese
nevabereki tenda ipapo uitewo zvimwe
zvakanangana newe. Ini….

Ini: I know sekuru eish sorry henyu ndabva


ndakumutsirai mavanga enyaya dzambuya.

Sekuru Nigel: zvawave kutoita muzukuru


hazvina kunaka ndatonzwa dad vako
vachiudza dad kuti wabatikana nekuenda
kumusha. Tomboti manetsana nemukadzi
otiza oenda kumusha saka uchatuma vanhu
here kumutevera handiti unotofanira kuziva
kumusha kwacho ikoko. Pamwe uri
kungobhowekana hako asi unogona
kunonakirwa nenzvimbo iyoyo zvekutosvika
pakuita muchato ikoko.

Ini: muchato sekuru nemazuva mashoma


aripo iwaya handioni ndichikwanisa kunoitira
kumusha. Mama vakatombobvunza kuti
hazviite here kuti tiitire kuMberengwa
ndikaramba. Kwenyu uku makazodii sekuru
handina kuzonzwa zvamuri kuronga ini?

Sekuru Nigel: uko ndiko kwandange ndaenda


masikati durawall rapera kuiswa paint saka
patinodzoka kuNigeria tinobva kuairport
takananga ikoko ndotomupa. Dad
ndakavaudza tikatomboenda kunoona, wati
kufara here ikoko ndakaita
sendichasumudzwa. Atobuda here madates
acho tiudzei tigare tagadzirira zvipo
tisazomhanya-mhanya.

Ini: hatina kuzoronga naPurity ndange


ndadeedzwa asi ndoona sekuti 13 April iri
right kuitira kuti tigowana nguva yekuenda
kuhoneymoon.

Sekuru Nigel: kkkk pfungwa dzatove


kuhoneymoon kunorova ma….

Ini: eish I can’t wait sekuru ndoda ku….


Sekuru Nigel: heee usakanganwe kuti uri
kutaura muroora wangu pano. Ko wakuda
kuenda kuhoneymoon wakamira sani handiti
unotuma here munhu waurikuda kuti
akuendesere mombe kumusha.

Ini: (ndakaseka) musadaro sekuru shuwa


ndanzwisisa henyu ndichatokumbira
ruregerero kuna sekuru nadad. Iye Purity
ndataura naye imwe iya-iya pamwe
atozvinzwa kuti ndange ndakatsamwa.

Sekuru Nigel: kutsamwa nhando kwakaipa


shaar bvunza ini ndakapotsa ndapandutsa
mukadzi wangu. Tinenge tichinyeperana kuti
baba mumba vanofanira kumbosimudza voice
but chinonetsa ndechekuti tinenge
takungosimudza nepasingakodzeri.

Ini: ichokwadi sekuru maita basa mataura


neni ndiri kunyatsonzwa kurerukirwa.

Takaonekana vakuenda kunorara


tikambombundirana hedu pamwe taizotadza
kuonana kuseni sezvo isu taizobuda
kuchakasviba. Purity ndakashaya kuti
ndomufonera ndichiti chii ndaive
ndamutadzira chero hake asina kunzwa
zvandaifunga asi kutouya kwazvakaita
mupfungwa dzangu kwaive kwakaipa.
Ndaizotaura naye ndasvika kumusha
ndichimutumira mapicture pamwe
zvaizonyevenutsa moyo wake.
Ndakarara hangu zvakanaka ndikamuka
nenguva yakanaka zvekuti ndakakwanisa
kugeza nekupfeka ndisingamhanye-mhanye.
Sekuru baba Farai vakawana ndatogara
mudining vakashamisika nemufaro waive
pameso pangu. Ndakazotaura navo takuenda
kwaMadondo kunotora sekuru Chivige
vakanditsiurawo vachiti zvandaive ndaita
zvaive zvisina kunaka. Sekuru takawana
vapedza kugadzirira tikavatora pagate
takunosangana nadriver. Takasvika achiti aive
akutoda kufona zvairatidza kuti aive aita
kumukira chaiko. Ndaingochema-chema
zvemwana akajaidzwa shuwa regai vanhu
vachizoti mwana anozvarwa ari ega anonetsa.
Chii chainetsa ipapa mombe dzakangosvika
dzichitinhwa dzikapinda mumota pasina
zvekudzinganisana nadzo. Paive pakavakwa
kapassage kadzaifamba nako dzichikwira
pakadhunduru kaienzana nemota dzotopinda
door rovharwa. Driverk wacho aiziva basa
rake akangoudzwa mafambiro nasekuru
Chivige akati ayiiziva nzvimbo yacho. Akati
zvakare pamwe chaizomumisa munzira imota
kana yafa pasina izvozvo aisada zvekufamba
achimiswa munzira.

End of chapter 3

Love you guys


CHAPTER 4
*Purity*

Kwaive kwakuda kurongwa chii futi chainzi


naInnoe tosangana Monday pane zvaaida
tironge? Izvi zvaindiita ndisave comfortable
nekuti pakuronga panoita kupokana
nekudzvanyirirana vanhu vobva vasungirana
zvigumbu mumoyo. Vana dad vakabuda
pachena pakapera zvekuroora vachiti “zvaitwa
tazviona mukwasha tagashira zvave kwamuri
kuti munoda hurongwa hwenyu kufambiswe
sei.” Izvi vairevera panyaya dzemuchato
wakakumbirwa nevanhu vekwaMapanzure.
Ndivo vaiziva zvavaive vakagadzirira saka tese
taitomirira date, venue nehumwe hurongwa
kubva kwavari. Hana yakamborova ndafunga
kuti pamwe Innoe aive akuda kuti ndiende
kumba kwavo ndonogarirako. Aive ambojoker
achidaro paakadzoka kumba anzwa kuti
ndaichema saka ndakangoti pamwe afunga
kuzviita serious. Ndaiziva hangu kuti raizosvika
zuva rekuti ndaitakura mabag ndonogara
kwaMapanzure asika hazvijairike unototya
chaiko nekuti unenge usingazive zvinenge zviri
mberi kwako. Nekune rimwe divi vana sisi
vangu nambuya mai Munya vaitaura
zvinotyisa zvega-zvega vachifananidza nhengo
yemurume nedhongi. Ndaizozvishingisa
hangu kuti ko ivo havana kukuvara wani
handiti sambuya mai Munya vaive
vakutochembera vakaomerera
pamufananidzo wedhongi iwoyo. Zvaindipa
kuseka hangu mbuya vaive nemisikanzwa dai
zvaitaurika kuna sekuru ndaimbovarevera.
Zvisinei hazvo Monday ndakaenda kuchikoro
ndakapfeka zvakanaka semunhu aizoonekwa
nadad masikati. Hanzi vakadzi vakawanda
vakaroorwa vanobva varelaxer vachiona
sevakapedza nhamo dzese dzenyika. Kugeza,
kupfeka zvakanaka, kugadzirwawo musoro
nestep chaiyo pakufamba inochinja munhu
anenge akuita semota yanyura mumadhaka.
Kufamba kuya kwepahumhandara uine
confidence wakasimudza mutsipa mudenga
segiraffe kunenge kwamedzwa nemarriage.
Ini ndaisada hangu kuzosvika pakudaro nekuti
ndaicoper from the best vana mbuya mai two
vandaiona vakatsvinda vachikwikwidzana
nemhandara pakugeza. Aaa mbuya mai Two
waitoti pamwe havana kana mwanazve kana
usina kuudzwa.
Akauya Innoe ndapedza kuchikoro ndakuda
kuenda kumba zvangu. Ndakazvitsvaira-
tsvaira nekatowel kuti ndirambe
ndichionekera. Innoe aitoda munhu
anozvipira kuramba achiwedzera smart
everyday nekuti iye hake ayewa aigeza mwana
wekwaMapanzure. Kubva zvavakatanga
kugadzirira kuti vakuuya kuzoroora ummm
hamheno zvandainzwa hangu kuda ndiyo
excitement yacho. Ndaitozviona ndapedza
kutaura pafoni kuti maziso anenge avharika
ndichirerekera musoro nekuchinja voice.
Ndainzwa kumuda kuya kwakapetwa kwekuti
vanhu vakanga vataura zvekuti tisaonane
kusvika vauya kumba vaiita sevaifemerwa.
Ipapa ndakashaya kuti ndoita zvekudiiko
nyama dzaiti musvetukire asi tsika dziya
dzandakamuratidza kubva pakutanga ndidzo
dzaindidhonzera kumashure. Kunzwa kuda
kuzara mumaoko ake ndakabva ndafunga kiss
iya yekuoffice aimi magadziko akapfura-pfura
chaiko exactly paya paakandigumha nepakati
pake. Ndaitoda kuswera naye kusvika zuva
radoka chaiko ndiye aitozoita zvekundidzinga
kuti ndiende kumba. Ndichitiwo zvaita
zvakanaka ndomboswera nemurume wangu
akabva afonerwa. Paive pasina zvekuita
aifanira kuteerera kana adeedzwa nevanhu
vakuru. Iye aisada kuenda asi
ndakamumanikidza ndaona kuti akaramba
aineni ndaizoita munhu akaipa asingateereri.
Mufaro wake wakapera nenguva diki-diki
ndakatoshaya kuti ndomupa mashoko api
eshingiso. Zvaiita sezvaunonzwa paya kana
une nzara wotiwo uchidya posvika munhu
okubvutira kana kuputsirwa chikafu pasi.
Mazuva atakanyatsoonana pasina
kukanganiswa aitoverengeka chaiko saka
taizojairana rini veduwe. Unoita seuchachema
nekuda kwekuremerwa nerudo ndaive
ndisisadi zvekunyemudzwa izvi kumuona.
Vamwe vanoti ukasapa murume nguva yake
anowana vanogona kumutandadza oenda.
Nepataive tave apa kana aizoenda Innoe
ndaitopinda musame category yevanenge
varambiwa saka vanhu vaifanira
kundinzwisisawo ipapo. Ndaiti kana kufunga
kwakundiremera ndaibva ndatura befu
ndakabata mhino kuti iye Innoe asanzwe.
Musatambe nekubva kutown kunosiiwa
kumba vanhu musina nyaya pamwe iyewo
aitorwadziwa nezvaive zvaitika izvi.
Pandakaona paakanyanya kutsamwa
ndepandaive ndatika ndimurerutsire aende
hake ini ndosara ndobata kombi ndoenda
kumba. Akataura akasunga huma ndikatoita
nhanho mbiri kudzokera kumashure kutyaka
kuti unozadzwa mbama zvako munhu
achipedzera shungu pauri. Haana kufona
patakaparadzana iniwo ndakati handingafoni
sezvo akabva achinzi kwaita emergency
ndaifunga kuti inyaya dzekumba kwavowo
dzaida kugadziriswa. Takazoziva nyaya yaaive
adeedzerwa pakadzoka sekuru baba Munya
vachiti mombe dzaida kuendeswa kumusha.
Mugoona henyu sekuru vakanga vambotaura
namama vachiti dai zvaibvira mombe idzi
dzakaiswa kumari then dzonotengwa
kumusha ikoko dzodzorerwa pakare pane
kunetsa vanhu vachiti bvisai mombe
dzinotsika iko kuroora kwacho kwaiitirwa
mutown. Vaingopawo pfungwa dzavo sekuru
asi pakauya vana dad takangonzwa zvakunzi
mombe dzese dzaidiwa dziri mhenyu. Hezvo
vakapiwa sezvavaida ndivoka vaifanira kuita
plan yekuti dziende kumusha. Sekuru baba
Munya vaitoti Innoe haana kumbovanza
kubatikana kwake neplan yekuenda kumusha
iyi. Zvazvaive zvakutotangirira kudai
ndaizozvigona here anenge aitsamwawo uyu
chero pandakamufonera ndichibvunza kuti sei
asina kupinda mumba akatondiitira attitude.
Akatadza hake ko ini ainditsamwira ndaive
ndamuita sei plus pamwe dai akatopinda
mumba ndaizomuperekedza otodzokera
asisina kusunga chigumbu. Nyaya hombe
yaive yekusawaniswa mukana wekuonana
asika tisu taifanira kuzvigadzirira mukana
handiti iwoyu ndiwo umwe wacho waive
wavhurika. Ndoona hangu sekuti munhu
anokubudira pachena zvaanenge achifunga
mumoyo ari nani pane anongokwindimara.
Ndakatonzwa kuremerwa chaiko appetite
ikapera apa chikafu chaive chaiswa patable
kuti tidye. Ndakatora ndiro yangu ndikananga
kuroom kwangu ndokunodurura chikafu
muplastic ndikaendesa kubin. Izvi
ndakazviitira kuvhara vana mama kuti
vasaone kuti ndaitonetsekawo zvangu
nenyaya yaInnoe. Paitsiurwa tete vangu paya
nambuya mai Munya zvainzi “zvatinoita isu
vabereki kumhuri yevakwasha kana zvakaipa
zvinotadzisa vana vedu kugara zvakanaka.”
Pamwe ndaizotukwa zvangu nazvo zvemombe
izvozvi apa ndiwe unofa nekurwadziwa
nemashoko nekuti vakuru ivava zvakare
vanoti usafe wakataura zvakaipa zvinoitwa
nemurume wako kuhama zvinopa kuti
vamuvenge. Aimi marriage handioni sekuti
yaive nedefinition chaiyo-chaiyo vaifanira
kungoti “zvawawana zviriko mberi ikoko ndiyo
yako marriage usafananidza neyavamwe.”
Haa uyu mwana wekwaMapanzure
akandikandisa mapfumo pasi ko zvaaitsamwa
semunhukadzi nhaimi pane chaizobuda here
apa? Haana kana kufona, kana kutumira
message ndakatoona kuti akatomboenda
paapp zvake akabva. Ndakarara kumaeleven
nekuti ndakamanikidzira kuita maasignments
angu andaive nawo. Unobva wafunga
zvakawanda asi pane chinhu chimwe
chinotisimbisa vanhukadzi chekuti kana usati
watambiswa zvako unenge uri safe. Musi uyu
ndakatodzidza kuti ndaifanira kuzvicontroller
pamafeeling andaive ndakuita ndichinzwa
pese pandaifunga nezvaInnoe. Ndainzwaka
kuti muviri wangu waimukara zvakanyanya
zvekutosvika pakutoti ndaizvibvunza kuti “ko
ndikamurega akaita zvaanoda zvacho
zvakaipei?”
Regai ndingoti ndakarara zvakanaka
ndokumuka ndichigadzirira zvekuenda
kuchikoro hangu. Sekuru takaita zvekunzwa
nambuya kuti vaive vaenda kuchakasviba
chaiko. Zvenyaya nevanhu ndaisada hangu
neniwo ndaitonzwa kuti ndaive ndakatsamwa
asi ndaisaziva kuti ndaive ndakatsamwira ani
chaizvo-izvo. Kuchikoro kwacho hamheno
kana zvaizopinda mumusoro ndosaka zvichinzi
rudo nechikoro hazvifambirani. Rudo rune
simba pane zvakawanda kungave kufara kana
kutsamwa runotoenda mberi. Hapana
paungati wakumbokanganwa matambudziko
aunawo murudo umbofocuser nechikoro
ukanzwa anodaro anenge achinyepa. Ini
ndakaswera ndichiita semunhu aenda
kuperiod asina kugadzikana haufambi,
hauseki nevamwe kana nzara hauinzwi. Ndaiti
ndikavarairwa ruoko rwaibva rwanoita pillar
rematama pfungwa dzotsikirira hadzo
sendagadzikwa zidombo mumusoro.
Mibvunzo yaingove imwe chete yekuti
“ndaizonyatsofarawo murudo rwangu rini
pasina vanopindira.” Lunch yakakwana pasina
kana message kubva kuna Innoe ndakabva
ndabuda ndakunotsvaka chikafu kuti
ndingowana chekubata ura nekuti nzara yaive
yakuita kupara-para mumudumbu. Panguva
iyi ndaive ndakuda kukurirwa manje nekuti
misodzi ndakanga ndatofunga kuiregedza iite
basa rayo. Ndakati regai nditenge mvura
ndigowana yekugeza maoko aa ndakamirira
change yangu foni yakarira ndikavhunduka
kuita sendaisaziva ringing tone yangu.
Kunotarisa kudai wanei ndiye Innoe akabva
adimbura zvake ndisati ndadaira apa ndaive
ndisina kumbononoka ndakafamba
ndikanogara pachichair kuti ndipiwe change
yangu ndidzokere mukati zvekutsvaka chikafu
ndaive ndakuda kurega. Akapinda mamessage
kuapp ndikavhura ndichibatwa
nenyemwerero zvese nemisodzi yemufaro
ipapo. Aive mapicture akatumirwa naInnoe,
rekutanga aive akamira nadad vahombe vari
paguva radad vangu akabva anyora kuti
“continue to rest in peace dad, I love you.
Thank you for a precious gift you brought on
earth I love her, I will cherish her and ndiye
amai vevana vangu.” Rimwe aive akamira
paimba yaive yedu ndokunyora kuti “I felt a
connection the moment I arrived here. What
a beautiful home thank you vana tezvara
vangu nana ambuya vangu makandigamuchira
nerudo.” Aive akawanda amwe zvawo
aingoisa tumaemoji. Kumusha kwedu
kwaisanyadzisa zvako taive takavaka
zvakanaka. Waive musha muhombe vana dad
vese vaive nedzimba pasame yard pachibva
paiswa zikitchen zihombe rekuti vanhu vese
vaibikira pamwe kana taungana kumusha.
Pakaroorwa sisi vahombe mwana wadad
vahombe vanova vaive kumusha panguva iyi
ava aaa takanakirwa takaungana semhuri uye
takanga takagara zvakanaka nekuti dzimba
dzaivepo dzakawanda zvakare. Pamusha
paigara mukadzi nemurume vaichengeta
zvipfuwo nekuona kuti dzimba dzinogara
dzakachena. Waisaona musiyano wekuve
mutown nekuve kumusha nekuti vaive vakaisa
masolar aisimudza fridge, radio, tv
nekushandisa pamalight. Mvura yaivepo
zvakare vakabatanidza mari vana dad vatatu
vaive vasara ava vakatsvaka company yaiita
full installation. Zvimwe hazvo zvakazoitwa
dad vedu vashaika asi imba vakasiya
vaextender yaive yana sekuru nagogo nekuti
ndivo vaive mukomana mudiki.
Zvongonakidza veduwe kuti mumwe wako
afarire kumusha kwako ndaitoti semunhu
akaenda akatsamwa pamwe aitozowedzera
kusvotwa kwacho. Ndakanzwa kamoyo kekuti
dai zvaibvira ndaimboendawo veduwe
kunoona kwavo kumusha kuMberengwa.
Mbuya mai two vaitaura zvakawanda
nezvekumusha uku zvekuti waitonzwa moyo
wekuda kusvikako. Innoe aive nemisikanzwa
chete akabva afona zvake neprivate
ndikadaira achichinja voice zvikanzi
“tosangana papi handiti nhasi murume wako
haapo here?” Ndakatomboita kakurasika
ndikatarisa foni zvakare asi yaive
yakangonyora private number calling.
Pandaive ndakuda kupindura kuti “wrong
number” anenge akakurirwa nesetswa
akaputika zvake.

Ini: nhaiwe aa…


Innoe: (achiseka) ndeipi babie urisei hako?

Ini: usandimhoresa apa.

Innoe: sorry shaar ndange ndichida


kumbokutyisa hangu. Urisei shaar, wasara
bhoo here, uri kufara here uye wandisuwa
here?

Ini: (kutsinzina kuya kwakauya imiweee)


handina kukusuwa ini.

Innoe: usadaro babie.

Ini: ndakakutsamwira sezvawaive wakaita


nezuro.

Innoe: (akaseka zvekuti ndakabvisa foni


panzeve) sorry babie ndakatadza kuzvidzora
nekuti ndaitiwo ndawana nguva yekukuona
ndaive ndakusuwa shaar. Ndiri kutonyara
ipapa chero kukufonera ndange ndichitya asi
ndangozoti regai ndiripire mhosva dzangu.

Ini: mafamba mushe henyu, varisei vana


sekuru?
Innoe: vari right ava tatomboenda kumashops
hedu. Yakanaka nzvimbo iyi vanhu vacho
vakavaka zvakanaka. Kurisei kuchikoro babie
ndiri kukufunga hangu moyo wangu uri
kurwadza.

Ini: (ndakaseka) kuchikoro kuri right zvishoma.

Innoe: why pane vari kukunetsa here?

Ini: aaa nezvawakaita nezuro aa ndange


ndakangobhowekana ini. Unenge uchifunga
kuti pane zvawakanganisa munhu kana
angotsamwa hake.

Innoe: sorry hako unoda makiss mangani kuti


upore?

Ini: hapana.

Innoe: ini ndoda twenty hangu kuti uone kuti


ndiri kuti sorry nemoyo wese. Thanks hako
nekubvuma kutaura neni kwawakaita. Pamwe
tosvika kuseni mangwana saka ndogona
kuzosvika kuchikoro kuzokutora. Hatina kuuya
necar charger apa ndanzwa sekuru vanogara
pano vachiti havana charger saka tozotaura
mangwana ndasvika kuHarare. Munodiwa mai
Mapanzure moyo uri kutorwadza kuita
sendave nemwedzi wese ndisina kukuona.
Ini: love you too (ndakabata kumeso kunyara
pafoni)

Innoe: (akavhunduka achiscreamer) hii nzeve


dzangu dzavharika ndokumbirawo udzokorore
babie.

Ini: ndati bye ndokuona mangwana wauya.

Innoe: usadaro babie ndanzwa hana yangu


ichida kubuda. Take care of yourself for me
usakanganwe kumhoresa mama nambuya
handiti?

Ini: okay.

Nzara, kutsamwa, hope nemaneto zvakapera


ko Innoe aive mushongaka kwandiri
ndaitozvinzwa pese pandaitaura naye kana
kumuona kuti ndaisara ndawedzera mufaro.
Kungoziva kuti unodiwa kunonyevenutsa
moyo ndaive ndabatikana veduwe kuti aive
aenda kumusha tisingataudzani. Ndakatarisa
zuva ndikaita sendichariudza kuti rikurumidze
kufamba kuitira murume wangu agodzoka.
Dai ndaive newekuseka naye ndaimboita
kachikwee torovana maoko hedu
zvaindinakidza zvekuti “murume wangu”
ndaibva ndamedzera mate.
Ndakazonotsvaka hangu chikafu pafifteen
minutes dzaive dzasara ndikadya
ndokudzokera muclass. Nguva dzakafamba
hadzo ndaive ndakutoda zvekuti ndisvike
kumba ndikwanise kurara ndagadzirira
zvekuzopfeka muzuva raitevera. Ndaida
azogutsikana Innoe kuti aive
nezvechimhamha kutopfekera kuimpresser
chaiko. Nguva dzichikwana ndini ndakaita
wekutanga kubuda gate ndikanobata kombi
yaitotanga kuloader pasina nguva yaive
yazara. Mutown handina kunonoka
ndakawana yaive yasarirwa nevanhu two kuti
izare takatopinda neumwe wandaibva naye
kuchikoro. Mufaro wandaive nawo waisaisika
muhomwe ndakatosvika kumba ndichivhura
maoko pandakaona mbuya mai Munya vari
panze. Vakatoshamisika vachiona
nyemwerero yakaraudzira yandaive nayo
vakatanga misikanzwa yavo hanzi “dai aripo
muzukuru wangu ndaiti pamwe wanzi
tokonyo.”

Ini: (ndichinyepa) adzoka manje atondisiya


pagate apa.

Mai Munya: anenge auya nerusero here,


vanhu vandabva kutaura navo izvezvi
pandafonerwa nasekuru vako.

Ini: kufara hangu mbuya kuti kuchikoro zviri


kuendeka.
Mai Munya: ndozvakanaka muzukuru chikoro
ndiro ramangwana rako hapana
anombokubira njere dzako.

Mbuya mai Munya chandaivadira zvangu


ndechekuti vaisasanduka-sanduka kuti nhasi
vanofara mangwana vakatsamwa. Kubva
zvavakauya vachibva kumusha aa hatina
kumbonzwa kudhinhiwa navo isu. Pakahora
sekuru vaitoda kubuda kunotsvaka pekugara
asi mama vakarambisisa kuita sevachachema
vaidawo munhu wekuwaraidzika naye. Neni
ndakabatikana vataura zvekubuda kunogara
kwavo vega asi vakanzwisisa havo ndokuti
“ndingaramba kugara nevarume vaviri here
ndichichinjaniswa zvangu.” Zviya
zvekunetsana kwatete nemuroora ndakaona
sekuti zvaienderana nemoyo wemunhu.
Pakati pevaviri ava pakaita anowana zvinhu
kudarika umwe obva ada kuzviratidzira kuti
ndiri pamusoro hapaite kuwirirana. Uyazve
anoshaya akazvitora sekuti anowana uyu
anomudadira havagarisani zvakare.
Muupenyu chinodiwa kugutsikana
nezvaunenge unazvo ingave pfuma, dzidzo,
vana, kuve nemurume kana mukadzi chaiye.
Tikatarisa kuside kwambuya mai Munya vaive
nezvakawanda zvaive zvisina mama vangu.
Vana vakawanda kusanganisira vakomana futi
kozoti vaive nemurume. Unobva waona umwe
akurwadziwa kuti ini handina murume
akutsamwira munhu asiri iye akamutorera
murume wacho.
Takapinda mumba tese nambuya vaibva
kubvisa hembe dzasekuru pawire kuti
vagodzichisa neiron. Mumba vaitsvaira zvavo
mbuya ndakawana muchiita kupenya
ndikamira pamusiwo ndakubvisa shangu
zvikanzi “toda kuzoshanya kwaMapanzure
tichiwana muchipenya kudarika apa. Kungoti
navamwene vako vaya ukasanoshinga
kumukira kuita basa ndaona waremadzwa
chaiko.”

Ini: (ndichipinda mumba) nei nhai mbuya?

Mai Munya: vanokuda vaya zvaunoona wega


kuti moyo wavo wakaperera
usazonotinyadzisa muzukuru wangu.

Ini: aa kana mbuya handimboiti zvakashata ini


neniwo ndovada henyu vanofara, vanoseka
uye vakasununguka.

Mai Munya: hazvirevi kuti munhu kana


achifara haana pamwewo paanombobatikana.
Ndange ndichiti ndichataura newe
nezvakaitika nezuro muzukuru. Sekuru vako
vakandiudza kuti nyaya yekuenda kumusha
muzukuru haina kumubata zvakanaka.
Chaunofanira kunzwisisa ndechekuti tese
takadai tine zvatinoda muupenyu
nezvatisingadi. Iwe ipapa zvaunoda hazvisi
izvo zvandinoda chero murume wako hazvisi
izvo zvaanoda. Usashore munhu uchiti
anozviitisa nekuti haadi zvakati chaungatoita
kuedza kumuonesa kunaka kwacho kana
achida anochinja kana asingadi hauite
zvekumanikidza. Chandinoziva kutsamwa
nekutsamwa hakugadzirise zvinhu kunotoita
kuti nyaya diki ive hombe. Iwe usazvitore
pakuti akatsamwa nekuti aienda kumusha
kwako whatever chakamutsamwisa kana uine
moyo unodambuka ayewa siya zvakadaro
usabvunze kunze kwekuti kana akuudza iye
ega.

Ini: ndataura naye hangu paatumura


mapicture ange achiratidza kuti haasisina
kutsamwa.

Mai Munya: chero pandataura naye ndanzwa


mufaro chaiwo saka yambiro yangu ndeyekuti
usamutsa nyaya dzadarika munhuwo hapana
paangaita twenty-four-seven achingoseka.

Ini: ichokwadi mbuya regai ndigadzirire


zvekubika.

Vakafamba kupinda muroom mavo ini


ndikadarika nemukitchen ndichibudisa usavi
mufridge. Mbuya havana kuzobuda muroom
mavo vanenge vaive busy chaizvo
ndaingonzwa kuimba. Mama vakasvika
pakudzoka kubasa vakandideedza vachida kuti
ndizovabatsira kutakura coat bed yavaive
vauya nayo. Ndakaona mabucket epaint futi
aive kuboot vakabva vatondigamha ndisati
ndabvunza hanzi “ndoda kugadzira room
yemuzukuru wangu hanzi akaenda kuscan
akaonekwa kuti akatakura mwana musikana.”
Vakambomira vakabata muchiuno ndikaziva
kuti pane zvavaida kutaura.

Mama: Purity ndoda unzwisise kuti Paida


munin’ina wako uye ndokudai mese
zvakafanana. Tichikura isu kumba
kwabamunini vedu kuna sisi vakamitiswa
ndokutizira vakanosvika vakadzingwa
ndokuita mazuva matatu vachirara mugomo.
Vamwe vana vaiti ngaatambure ariko nekuti
akaita misikanzwa asi baba namai vakagara
pasi vakaonesana kuti mwana aive akanganisa
hongu asi ko zvaaive akugara musango ndiani
aiziva zvaizouya mupfungwa dzake. Dai ari
umwe aidei akafunga kubvisa nhumbu asi
paakabvunzwa kuti zvaaive amitiswa aifungei
akati mwana aizochengeta. Vabereki
vakanomutora musango vakamudzosa pamba
ndokutaurawo mashoko sevanhu
vakarwadziswa hapana paungasekerera
mwana achiita misikanzwa. Vamwe vana
vaitarisira kuti arohwe zvakabva zvavabata
kuti sei adzoswa pamba. Vamwe ava
pavakazoroorwa vaive vakuita makwikwi
ekuunza vana pamba kuti vachengetwe
sezvaiitwa uyuka akarambiwa nababa vake.
Umwe wacho akazodemba murume atora
mukadzi wepiri akati chikonzero ndodawo
mukadzi anondiitira vana vandinogara navo
pamba kwete uyu anoti mwana achingosvika
eight months otonopa mai vake.

Ini: yoweee.

Mama: hazvirevi kuti ukaita mwana wako


akagara kwaMapanzure ndinenge
ndisingamudi? Tinotofara sana mbuya kuti
vana vauye kuzoshanya tichiziva kuti vabereki
vavo vari pamwe uye vari murudo asi kana
zvadai ndomurasira ani Paida nemwana
wake?

Ini: hapana chokwadi mama.

Mama: kutodai kuedza kuti moyo wangu


uzvigamuchire kuti ndozvatovepo
ndakutongoisa zvese mumaoko avo mwari
kuti muzukuru uyu ndimi mandipa chindipai
simba nerudo ndimuchengete achitya mwari
uye akwanise kupunyuka paurwere ihohu
hwabata mai vacho. (Vachizvikanda pabucket)
haya zvakaoma asi counselling yakandibatsira
hangu dai paanouya pacho apona
akasazondinetsa zvangu handisi kuda
kuzodemba ini kuti ndakamutorerei
kuEpworth kwaaive ikoko.

Ini: atodzidza mama munoti achadzokorora


here ngatichingofungai zvemberi tisiye
zvakapfuura.
Takaisa mabucket epaint mugarage
ndokuzotakura bed tikanoisa muroom mavo.
Paitove neziplastic zihombe ravakati raive
nemasheets nemacoverbeds emwana. Mama
veduwe ndakaona vobudisa mari hanzi
“ugonoita shopping yehembe dzako
mwanangu.” Ndakairamba ini nekuti ndaiziva
kuti vaida kuti ini nditengewo zvangu sezvo
vaive vatengera Paida zvinhu zvemwana.
Ndaisave pacompetition ini izvozvo zvavaive
vaitira Paida zvaive zvakangofanana nekuti
ndini wavakaitira. Mwana waPaida wacho
aitovewo wangu ndaitonzwa kunonokerwa
nekuti apone agouya kumba ndisati ndaenda
kwaMapanzure. Ndakavaudza zvaive pamoyo
wangu vakandimbundira ndokupuruzira
musana wangu vakati “ndongokumbira mwari
vakukomborere mwanangu muimba yako
yawatanga iyi. Mupiwe zvibereko vanangu
tigofara nekupembera nekusingaperi.”
Ndakanyara-nyara ndichishaya kuti
ndopindura kuti chii hangu. Ndakazobuda
ndakunopakura chikafu nekuisa kudining.
Pamba paibhowa kana sekuru vasipo ndaive
ndakutovafunga hangu.
Takadya nekutandara zvedu nyaya
dzichingosanganiswa-sanganiswa ko vanhu
vacho vaisagonaka kuti vangaite thirty
minutes vasina kumbotaura
zvekwaMapanzure ava. Chandaida pana
mama ndechekuti Innoe vaimuda ndaitotadza
kuisa pascale kuti ndiani aikunda umwe ivo
mama namai Mapanzure. Ndaitoona drama
zvangu remadzimai aichinjana vana
sekutamba sekuseka ipapa. Ukaona ambuya
vobvunza kuti “wambofonera mukwasha
wangu here ange achifara here” ziva kuti paita
rudo. Innoe aigarawo achichema-chema hanzi
“mama havachandidi kubva zvavakangoziva
nezvako ndakutoona sewakuda kutondibira
iwe.”
Takaparadzana zvedu takuenda kunorara
ndikasvika ndichirongedza zvekuchikoro
nekutorara. Kuseni ndakaenda namama
vakanondisiya kuchikoro tichitaura hedu
nyaya dzeupenyu. Mama vaive vakuda
kupedza nguva yakawanda vaineni.
Vaindikurudzira zvakare kuti kana pane
zvandinenge ndichida ndisatye kuvaudza
ndaifanira kuve open kuti ndiwane mazano.
Pavakandisiya pagate ndakambotarisa foni
kuti ndione kana Innoe aive atumira message.
Aive atauraka kuti “ukaona message yangu
ubve waziva kuti ndinenge ndasvika
muHarare.” Yaive pfungwa yekuti pamwe
vaive vamukiraka ndaitononokerwa
nekumuona ini. Kubva kuseni ndichitarisira
message kusvika ndangozonetawo kusvika
pakuwarairwa. Tave palunch ndipo
pandakanzwa kuti ndaidiwa panze handina
kumbofungira Innoe ndaiti pamwe ndimama
vaive vandivigira lunch. Ndakanyemwerera
ndamuona akamira hake akazembera mota ko
kuzopfeka mashades aimi Innoe aida ndiite sei
chaizvo. Aive akaisa maoko muhomwe
akarereka musoro seakatarisa pasi but
ndaimuziva zvangu aizvigona zvekutarisa
munhu necorner yeziso. Ndakasvika ndichida
kuzembera pamota handina kuona kuti
maoko akamabudisa muhomwe nguvai
ndakangonzwa ndambundirwa. Ndakabatwa
zvakasimba kana kunyara vanhu veduwe
kungoti pachikoro pedu kumbundirwa
kwaisanyadzisa pane vaitoitwa zvihombe
chaizvo vanhu vese vachiona.

Ini: nhaiwe usandidaro kani.

Innoe: ndidii babie ini ndakusuwa kudai? Pese


pandinoita rwendo ndichinzwa tsaona
dzinoitika muroad umu ndinenge ndakutoona
sendichatadza kukuona zvakare.

Aive arega kundimbundira abata maoko angu


ese takatarisana. Neniwo veduwe hana
yaisagadzikana kana asipo sepaya pavakaenda
kuBulawayo nababa two ndainzwa sekuti
pane zvaida kuitika.

Innoe: ndikakumbira kuti utize chikoro nhasi


unonditsamwira here babie?

Hezvo aitotaura zvaive mupfungwa dzangu


ndepapi pandaizomuona for less than an hour
ndomusiya hake achienda? Ndaitodawo
kuswera naye ndichinzwa kuti kumusha
vakafamba sei uye kunzwa zveurongwa huya
hwakadimbudzirwa panzira.
Ndakangogutsurirak musoro akati “yes”
achinondivhurira door remota. Taigoendepi
zvedu kumwe akati tinange kubasa kwake
tikadarika tichitenga chikafu chedu chekudya.
Mungashamisika kuti sei Innoe aida
zvekutenga chikafu tiri tese, inyaya yekuti
aifarira kudya chikafu chichidziya ndiwo
waitove mutemo wake.

End of chapter 4

Love you guys


CHAPTER 5
*Innocent*

Sekuru baba Farai vaive imwewo mbeu zvavo


isingadi kuonerewa kana kudrawer attention
yevanhu. Ndaitoti pamwe kuyenda kumusha
kunoda kupfekwa masuit aya anopenya
nematie wozoti kabhutsu kepoint mutsoka. Ini
zvangu suit ndakagara ndatsidza kuti
ndaisazopfeka asi ndakapfeka jean trouser
neshirt ndokuisa kajacket keleather pamusoro
mutsoka ndakaisa kasneaker keblue
kaimatcher nejacket. Ndakanyatsonzwa kuti
ndachena zvekuti ndakademba kuti dai
taizowana Purity amuka patainotora sekuru
obva andiona. Sekuru baba Farai vakapfeka
short aya ekhaki anenge ane mahomwe
kuside negolfer t-shirt yeblue mutsoka vakaisa
mapush eblack zvavo. Kabag vakatakura
kadiki-diki kavakaisirwa zvekugezesa neimwe
t-shirt yekuzochinja pakudzoka chete.
Ndakanyara kunotora kamonarch kandaive
ndarongedza ko zvandaive ndatoisa wardrobe
yese nhai naiko kuda kunoonekwa. Ndiwo
mabviro atakaita kuBelvedere tikanotora
sekuru Chivige avo vatakawana vatotimirira
pagate. Kumombe hapana zvakawanda
zvakaitwa taive takatomira kure zvedu
dzichipinzwa mumota tichibva taenda.
Rwendo haruna kumborema takafamba
zvakanaka tikasvikawo nguva yakanaka
takamirirwa sevanhu vaizivikanwa kuti vaive
munzira.
Ndikati pane zvakaitwa zvechivanhu ndinenge
ndichinyepa ini ndakangoona sekuru baba
Farai vachibvisa mari yavakapa sekuru Chivige
ndipo pakaburutswa mombe mumota. Driver
aitoda kudzoka pakarepo asi mama
vakamurambidza vachiti vaive vasanogadzira
chikafu. Takadya tikapedza achibva aoneka
akaenda tikasara takuoneswa musha
tichitungamirirwa nadad. Musha waive
wakanaka iwoyo ndakatombofunga kuti
mazimba mahombe four aivepo dai vakavaka
mutown vaiita mari nekuda kwemaroja. Paive
neorchard yakanaka takatombotanha mango
zvedu but dzaive dzasara shoma nguva yadzo
yaive yakuda kudarika. Magumtree aivepo
zvakare anenge akangodyarwa akakura
vakashaya plan nawo. Chimwe chandakafarira
panzvimbo iyi ndechekuti waigona kuita
business hombe kwazvo. Line remagetsi raive
pedyo pekuti vaigona kuisa pole rimwe chete
votoisirwa pamba asi pandakavabvunza dad
nezvazvo vakati sepamba paigara vashandi
chete zvaigona kuzonetsa magetsi
akuendeswa kune dzimwe dzimba zvisiri
pamutemo. Road yakanaka yaive pedyo-
pedyo taitonzwa sound yemota tiri pamba.
Chaititadzisa kuona mota dzaidarika inyaya
yemiti sezvo yaive nguva yekunaya. Kwese
kwaive nemvura takaratidzwa apa mumoyo
ndaive ndakuda kuita kapfungwa kekuti “ko
ndikatevedzera zvakaitwa nasekuru vangu
kuchatira kumusha?” Luck zvaive zvichiri
mupfungwa ndisati ndazvibudisa nekuti
takazosvika pakandipa kudzokera kumashure
ndikange ndatomboti kuna sekuru baba Farai
“nepane nguva apa togona kusvika kuHarare
nine dzeusiku dzisati dzakwana.”
Chakatitadzisa kudzoka ndechekuti vaive
vatotaura kuti taizorara zvinova zvakaita kuti
tibatirwe mbudzi yatakanzi yeusavi.
Chakandibvundutsa makuva aimi asi kuita
paHeroes acre hapo apa aive padhuze-dhuze
neimba yainzi yakasiya yavakwa nadad vana
Purity. Andakaverenga aisvika twenty kana
kudarika apa chitarisa makore aive akanyorwa
pane vamwe vacho. Vana sekuru nana sekuru
nana sekuru vemumusha vaivepo ipapo
kwaitonzi musha waimbove pakazoiswa
orchard ukasudurutswa zvishoma pavaive
vakuda kuvaka dzimba dzaienderanawo
nenguva yataive iyi. Dad vaive vasina usimbe
hwekutsanangura taiudzwa zvese zveumwe
neumwe aive akarara apa ndipo pandakazivira
kuti first born yemumba mavo aive musikana
asi akashaika achiri mudikisa zvekumafour
years ndiye aive akaiswa pedyo nadad vana
Purity. Kumashops takaenda paive pedyo
zvapo chero sekuru Chivige vakatitendekera
time yatakabuda muroad takuenda pamba
vachiti “zvese primary nehigh school
zvakabatana nemashops acho.” Vanhu
vanotengesa zvinhu kumaruzevha
vanozodzvanyirira havo ummm maprice acho
ndakashamisika chaiko. Kusashamisika kwaiita
vanhu vachitiona pamashops kwaingoreva
kwega kuti vanhu vaisatambura. Kune dzimwe
nzvimbo ukasvikako uine mota vana vanozara
muroad kuita sevachatsikwa vachideedzera
“mota-mota” kana kuridza mhere vachitiza
nekutya. Vana vechikoro vakadarika tiri
pamashops vanenge vaive vabuda.
Vandakaona ini vaive nezvakakwana hapana
aifamba netsoka izvi zvinotiratidza
zvakawanda munzvimbo kubva kugood
leadership, hard working parents uye
kubatana kweivo vagari venzvimbo.
Ndozvinoita munhu kana ashanya kunzvimbo
anofanira kuziva zviviri kana zvitatu
zvaanozoita achirangarira nazvo kuti chokwadi
akambosvika. Unogona kurasika asi
pakubvunza ugotaura zita rechurch
yawakamboona munzvimbo vanhu
vagotokubatsira. Kumwewo kwaive kushaya
zvekuita taitoona nzvimbo kuti nguva
dzifambe. Sekuru Chivige ndivo vakambonwa
doro havo tikazovatsvakira rimwe
rekunonwira kumba. Ndaitofunga Purity
zvangu ndiye aive andionesa nzvimbo kudai
runonzi rudo irworwo. Pazvinoitika kune
vamwe unogona kuona sevakapiwa zvekudya
aaa hamheno kana zviri izvo zvandareva
ndaingonzwa kuchinzi mbuya mai Farai
pakaroora sekuru Nigel vaiti vakapiwa
zvekudya. Semunhu aive kure taingoti
hamhemowo chavakanzwa mbuya kana
kuona semunhu mukuruka zvinonzi vakuru
vanoona ava asi chokwadi ndechekuti sekuru
Nigel vaida mbuya uye vaive vachiri kuvada
chaiko zvekubva pamoyo. Ndizvo zvandainzwa
pana Purity ndaitozvipira kuita chero
zvinorema just to show her kuti ayewa aidiwa
hake nemoyo wese.
Takawana baba vaifudza mombe vadzoka
vaitove kumatanga havo so takangoburuka
nekuenda ikoko. Dad vaida kuona kuti mombe
dzatakaenda nadzo dzaijairana nedzimwe
here. Mhukawo hadzizivi kuti pane
vanyarikani nevamwe vanenge vachitove
nenzara havo dzinobva dzaita zvekuti
usvotwe. Ukasazvidzora unoonekwa
wakukwenya patrouser wakufunga kuti dai
ndiri ini hangu naPurity wangu. Ndizvo
zvatakaita kumusha izvi manheru takadya
tikatandara zvedu tichiwaraidzwa nasekuru
Chivige nababa vaishanda apa vainwawo
doro. Pakurara ndaive ndanzi ndishandise
room yangu ndega haiwa ndakaramba chaiko.
Nemakuva aive pamba iwayo ndaizorara
ndakasvinura chaiko nekuda kwekutya.
Ndakashinga kuti ndaizorara nasekuru Chivige
zvekuti vainhuhwa doro zvaive zviri nani pane
kurara uchiona vanhu vakafa. Ndakaita serudo
ndikati “sekuru sezvo muchizoda kurara
muchienda kutoilet chiregai ndirare
kumadziro.” Chaizouya chaitanga kubata ivo
uku kwaitove kuhwanda. Pamba apa paive
nemakuva akawanda yes but kusvika
kwatakaitapoka handina kumbonzwa
kuremerwa ini. Kwedu kuMberengwa pane
imwe misha yawaiti uchidarika uri mumota
husiku bvudzi raiita seratorwa nemhepo hana
yotanga kurova. Zvainyanya kuitika kana
tashandisa road yaidarika nekuchikoro asi iyi
yekwana mbuya mai Two yaifambika
zvakanaka.
Takarara zvakanaka handina kana
chandakanzwa husiku ini chero paimuka
sekuru handina kuvanzwa vakatozondiudza
kuseni takugadzirira zvekudzokera kuHarare
kuti vakapotsa varumwa neimbwa yaive
paverandah. Naivowo sekuru vaiita
misikanzwa hanzi “ndakangoti ko ndoonekwa
nani ndokubuda hangu ndakashama kuda
imbwa yabva yati muroyi dai ndisina kuvhara
mberi nemaoko ndaidei ndadamburwa.
Ndichiti nditize ndinohwanda mutoilet door
rekune imwe imba rabva ravhurwa vakabuda
tsano nasisi ndabva ndapinda mudrum riri
paverandah ndakutya kuonekwa nasisi
ndakashama.”

Ini: (ndakagara pasi nekuseka ndikambomira


kupfeka kwandaiita) saka hamuna kuonekwa
here muri mudrum?

Sekuru Chivige: ivo vange vaona kuti pane


munhu apinda mudrum saka ndakurumidza
kudeedzera kuti ndini ndikakumbira kuti sisi
vasauye.

Sekuru baba Farai havana kumbonzwawo


zvakaitika izvi vakatoseka kuseni vachiudzwa
tave munzira kudzoka. Zvakaita zvakanaka kuti
ndisekuru vakaonekwa dai ndaive ini
vaizoshamisika kuti ko mukwasha aive abatwa
nei. Kumusha kwakandinakidza yes but
handina kumbofunga zvekuti
ndingadzokerako zvakare hamhenowo pamwe
ndaizoenda kana kwaitika rufu kana kuti kuine
mutambo wekwaMadondo. Takasvika
kuHarare kumaeleven tikadarika tichisiya
sekuru Chivige pagate pavo ndokudarikira
toenda kuBelvedere. Takambonogara
tichibvunza hedu zvevaive vaenda kuSA
muzuva raive radarika tikaudzwa kuti vaive
vafona vachiti vakasvika zvakanaka chaive
chasara kunzwa ndezvekusimuka kwavo
vakuenda kuNigeria. Nguva yese iyi ndaive
ndatoisa foni yangu pacharge ndikageza
ndokuzotora imwe yemota dzasekuru
ndikaishandisa kuenda kumba kwedu.
Ndakawana vana mama vachigadzirira
zverwendo rwavo rwaiveko muzuva raitevera
saka hatina kumbotaura zvakawanda kunze
kwekutsanangura mafambiro atakaita kuenda
kumusha. Ndakubuda mudining mavaive
ndakati “okay itai henyu zvamuri kuita
musazonotinyadzisa ikoko. Ini
ndakunogadzirira ndibude ndimbonoona
mukadzi wangu.” Mama vakaseka kuita
sendaive ndataura zvinonyadzisira vachibva
vati “akaitwa nezvimwe mukadzi gore rino,
okay vatezvara vangu muvamhorese
vamwene muti hanzi makadii nemuroora
wenyu.”

Ini: zvamataura zvese ndosvika ndakanganwa


ini mama. Amwe mazita amunotaura ayo kkkk
ndotonzwa semakundiomesera neshona
yenyu iri deep.

Rhoda: hamunyepi henyu sekuru hanzi severe


vangu vafona manje-manje ipapa vachibvira
mai vambuya.
Ini: hanzii mama?

Mama: hezvo inyaya dzedu dzisinei newe.

Rhoda aive akaneta-neta aitoita zvekusundwa


namama kuti arongedze. Ndakamunzwisisa
zvangu vanhukadzi vazhinji vanenge vaibatwa
nefear kana vasvika panyaya dzekuroorwa
idzi. Vaive vakasiyana nesu varume unenge
uchitonzwa mufaro wekuti wakuzogara
nemukadzi muchiita zvinonaka mazuvaose.
Ndosaka muchiona varume vakawanda
vachiita mhosva dzekubata chibharo nekuti
once pfungwa dzangouya kuzasi uku
woimaginer uchinakirwa unobva watorasika
zvachose. Ndakachinja hembe nekukasira
nguva dzandaida kunoona Purity dzaive
dzakutokwana. Handina kumboda kufona
kana kutumira message chinangwa changu
chaive chekuita surprise semunhu
wandakanga ndasiya akatsamwa. Taive
tambotaura zvedu pandaive kumusha asi
kazhinji kana uchiita sorry zvakakosha
kunangana face to face monzwanana.
Kuchikoro kwana Purity kwaive kwakundiitira
sekuenda kutoilet nguva dik-diki ndaive
ndasvika zvangu kahana kemufaro
kachiroverera ndamirira kuti auye sezvo
ndakasvika ndichitotuma vakomana
vandakaona kunze kwegate. Anenge aive
asina kuziva kuti ndini ndaive ndamudeedza
nekuti mafambiro acho kani aive
ekutowarairwa asi paakandiona akaita
kakuvhunduka. Regai ndimbopupura zvangu
ndichiti vakomana vanoona sekuti kudanana
nevasikana vari kunze kwenyika kana kuti
kudanana nevarungu ndiko kunoratidza kuti
uri murume chaiye vanosarira pane
zvakawanda. Ava vakadzi vedu ava vanongoda
kubatwa zvakanaka vopiwa chinzvimbo chavo
vasazoona sekuti havana basa zvinova
zvinovapa confidence. Vakanaka vakadzi ava
nekuumbika zvakanaka kutodarika zvatinoona
kunze uko. Chinozoita kuti vekunze vaite
sevanaka ndechekuti tinovapa rudo
rwekunyengerera tichitya mutemo zvekuti
unotoita mamwe mabasa evanhukadzi just
kungoti uonekwe kuti wakaperera. Vedu
vanobva vasakara nekuti amwe mabasa
atinofanira kuita isu varume tinoti ngavaite
nekuti vane simba racho. Ndisu misoro yemba
asi tikaona mukadzi achishanda murume
haachatobatsiri zvinova zvinopa mukadzi
stress kuti saka ndiye akuona zvevana,
kubhadhara rent, kuita kuti mumba mudyiwe
chero kuti azosara nemari yekuzvitengera
zvaanoda zvakanaka haiwanikwe pakadaro.
Anopedzisira akutenga hembe dzisingafite,
dzisingakwani uye dzisina kunaka vavariro iri
yekuti avhare muviri wake chete saka
patinomuona akapfeka zvakadaro tinotanga
kushora kuti haagezi uye haagone kupfeka.
Hamheno kana akazvinzwa Purity but
pandakamumbundira ndichifunga izvo hana
yangu yairova ndichitozvitsiura kuti ini
ndaisazoita zveutsinye murudo sezvaiitwa
nevamwe varume. Ndini ndaive baba
ndaizoita kuti awane chimwe nechimwe
chaaizoda muupenyu hwake. Ndakatofunga
ipapo zvakare kuti ndaifanira kutaura naye
kuti kana zvichiita timboenda hedu kuSA
kunoita shopping yedu. Takatorana zvedu
ndokupinda mumota tikadarika tichitenga
chikafu mutown ndokuenda kubasa kwangu.
Aive akuenda achindijaira Purity nekuti apa
akatotaura chikafu chaaida kwete zvemamwe
mazuva aingoti “ita zvaunoona iwe.”
Kubasa kwaive kusisina miyedzo kubva
zvakaenda Loca hapana kuzomboita mashoko
zvachose. Takawana vakomana vepagate
vachitamba draft vachibva vativhurira gate
ndokuuya pamota vakati “boss mamuka
nekuswera sei?” Ndakasekerera hangu
ndikadaira but vaizviziva kuti zvekunzi boss
ndaisazvida taingoitana “mukoma-mukoma”
kuitira pasaite anotyisa umwe. Vakasimudzira
Purity ruoko vakati “madam boss makadii
henyu?” Akashamisika hanzi “aa haa makadii
henyu?” Kutadza kusimudza musoro
achinyara kunzi madam boss ndakangoseka
ndichitopinza mota mugate ndokunomira
tatarisana nereception. Ndakamupa makey
patakaburuka mumota ndikati aende kuoffice
kwangu ini ndaida kumbonoona vakomana
vaiita basa kuseri. Vanhu ava vaive vakabatana
henyu ndakawana vese nana mbuya mai
Samson vari kuseri ikoko even musikana
wepareception aivekowo. Akatoda kutiza
paakandiona ndikaseka zvangu ndokuti “ko
maita mhosva yei kana musina basa
mungatadza kusununguka here chakaipa
kukanganisa ava basa ravo chete. Mbuya mai
Samson vakaenda kunoona Purity
ndikambosara panze ndichiona-ona ayewa
basa raibatwa zvaro. Ndakazoenda mukati
ndikawana mbuya naPurity vatogara zvavo
vachiita zvinyaya zvavo. Mbuya mai Samson
ndaivadira kuti vaiziva pekufara vachiguma
pavakangoona ndapinda vakabva vasimuka
kuti vakuenda. Ndakati vaende naPurity
anodziisa chikafu chedu kukitchen ndikasara
ndichitsvaka mapaper ekuti tinyore pasi
zvataida kuronga zvemuchato wedu.
Ndakatoita zvekutevera kukutchen akanonoka
nekuti vakambosvika vakusuka ndiro paive
pasina dzakachena. Patakadzoka ndakatanga
kutaura zvedate remuchato ndiro raifanira
kutanga kubuda zvimwe zvese zvozotevera.
Mukave nedate zvinoita kuti mumanikidzire
zvinhu kuti zvifambe nekuti munenge
makumhanyiswa nenguva. Taidya hedu
tichitaura akabva ati “aa ini ndongomirira
kunzwa kwauri handiti vanhu vekumba kwedu
vakati zvamunenge maronga
vanogamuchira?”

Ini: chero vekumba kweduwo vakati


zvatinoronga tiri two ndizvo
zvavanotevedzera. Muchato hauna second
chance saka hatidi kuzoita zvinhu zvatinozoti
mangwana apa takakonewa kuronga apa.
Mazuva asara ave mashoma nekuti
takabvumirana kuti April kureva kuti mwedzi
watiri kubata iwoyu. Chero tikati thirty April
nguva hapachina so ngatirege kukandirana
nyaya tingoronga pamwe tichionesana.
Purity: iwe waifunga kuti rini? Zvinoda paine
calender tichiziva kuti zvikoro zvinovharwa
rini uye mazuva atinenge tiri paweekend
acho.

Ini: ini ndakaona sekuti thirteen April iri right


inenge iri Saturday then kana parongwa
zvekuenda kumusha zvoitwa manheru vanhu
voswerako Sunday. Manheru eSunday
tozorarira kuno kuHarare then Monday
takuenda kuhoneymoon. Kuhoneymoon
kwacho hatisati taronga kuti toenda kupi kana
kuti ndichaita iri surprise ngatimboonesana
padate apo kuti pakadii. (Ndakavhura foni
yangu ndikamuratidza calender).

Purity: (achigutsurira musoro) hapana


chakaipa.

Ini: usazviomesera shaar uchiti nekuti


zvataurwa naInnoe…

Purity: kkkk ndorevesa hangu riri right date


iroro tinenge tavhara wani?

Ini: okay, ko honeymoon pane zvawange


wakaronga here?

Purity: aa hapana aa.


Ini: okay that one is on me ndichagadzirisa.
Panyaya yehembe dzekupfeka tombotanga
nedzedu isu. Pakachata mbuya mai Two
zvizhinji vakatenga kuAmerica but
zvakatirerukira pakuti ivo vaiveko
vachisarudza zvavaida uye size yemagown avo
haina kumbonetsa. Vazukuru variko
vakatomboisa message vachibvunza kuti todii
ndikavati ndoda kutanga ndanzwa kwauri.

Purity: vanogona kutsvaka ikoko vouya naro.

Ini: pane kwavaiti vakanzi kana vachisarudzira


munhu asipo vanokwanisa kutora masize
matatu nekuti vamwe vanodzikira muviri kana
kugainer weight zvinova zvinoita kuti
vasazotambure. Rinenge rakwana ndiro
ravanotora then amwe anenge asina
kushanda vanokwanisa kudzosera but vane
nguva yavanoti ange adzoka ikadarikawo
kunenge kwatove kubhadhara. Zvatichaita apa
ndezvekuti vanotumira mapicture tosarudza
two atinoda tobva taita order yesmall size,
normal size neyepamusoro zvishoma kureva
kuti anenge achiuya ari six handiti?

Purity: okay kureva kuti kana ndichipfeka size


thirty panouya size twenty-eight to thirty-two
paeach type?
Ini: exactly then dress code manje iyi inoda
kukasira futi kubuda kuitira kuti vanhu
vatsvake zvavanoda paine nguva. Ndaifunga
kuti titenge isu but nepane nguva
ndinganyepa zvikatonetsa vanhu
vanongopfeka zvavanoda havo.

Purity: my favourite colours are gold and pink


I think anofambirana zvakanaka.

Ini: its fine nyora zvese pasi tichatoprinter oita


macopy akawanda ndipo patichange
tichitarisa ipapo.

Purity: venue?

Ini: for now kana zvikasachinja ungati tiri


covered hedu, ingoisa hako an option yekuti
kana zvazove zvalast minute togona kutsvaka
kumwe asi ndoziva kuti zvelast minute izvi
mari yacho vanoita kudeedzera. Vaperekedzi
ini ndoziva kuti chero ndikafona izvezvi
vanouya vakawandisa hamheno kwako
kwakamira sei?

Purity: (achiseka) neniwo ndinavo Nashe


nemunin’ina wake ….

Ini: tingatorega hedu kutsvaka vasikana vacho


toperekedzwa nevakomana chete.
Purity: wange uchida kuti vaite vangani
usakanganwe kuti hapana nguva yacho
yekudzidzira masteps nekuti now vanhu vese
varikuenda kuchikoro.

Ini: five vari right.

Purity: tichatsvaka kuchurch kana kunzwa


kunana dad kana vanin’ina vangu
vachikwamisa kuuya. Kwadad vahombe kune
two umwe arikuita form four neari form two.
Pane mwana watete vaya vaive kuno koti ani
futi ummm munin’ina wangu mwana
wemunin’ina wamama uyu anogona kuzove
best wangu.

Ini: kwasara one?

Purity: mira ndimbofungaka kkk umm okay


munin’ina wambuya mai two.

Ini: perfect then maflower girl vachatsvaka


vana mama. Tione pawange uchinyora kuti
pane zvasara here? Zvechikafu vachaita ivo
vana mama ndinovapa mari votenga plus
zvimwe izvo togona kuronga wowana baba
Innoe vachiti ndini ndoita.

Purity: (Akaseka) hauna tsika ndozvaunoita


futi kuna mama.

Handina kupindura nekuti mbuya mai Samson


vakaknocker vachiti vakuenda kumba nguva
dzavo dzekuchaisa dzaive dzakwana.
Ndakabuda tikadungamidzana kuenda kugate
kwaive kwamira vamwe vashandi.
Ndakanotora makey epane imwe office yaive
nemaprinter ndichiitira kuti ndigoprinter
zvataive tanyora naPurity. Makey aisiiwa
kumasecurity pagate hapana aienda nezvinhu
zvekubasa kumba. Vanhu vakabva vaonekana
tikasara papremise tiri four ini, Purity
nemasecurity maviri aive kugate aizochinjwa
nasix pachipinda vamwe two venight.
Ndakanotora Purity tikaenda tese kunoprinter
kuback room. Ndaitofunga kuichinja office
iyoyi ndiite yekurongedzera mafile nekuti
kwaiita noise yakanyanya yemamachine kana
vanhu vachigadzira fertilizer. Apa zvaive nani
pakuti vanhu vaive vachaisa mamachine ese
ari off. Aiziva hake kuprinter Purity ndakamuti
aite ini ndakagara patable tichitaura nyaya.
Pane pandakangowarairwa ndikayeverwa
nekuzununguka kwaiita pachipfuva pake
paaityper. Purity aive munhu wekuti
ukanyarara aisabvunza kuti uri kufungei
aingonyararawo saka akaramba achienderera
mberi nezvaaiita kusvika apedza. Akazoda
kusimuka kuti aise mapaper paprinter
ndakabva ndamubata ruoko ndichiburuka
patable pandaive ndakagara tikatarisana
mumaziso. Akamhanyira kutarisa pasi
zvekunyara zvake zviya ndichibva ndamubata
pachirebvu ndokusimudzira face yake. Haana
kurwisa so ndakadzikisa ruoko kuenda
kuchipfuva ndichitopotesa rumwe kumusana
zvekuti akavhiringika nenguva diki-diki
kushaya kuti orwisa rupi ruoko.

Ini: (ndichimubata zvakasimba) mira babie its


just a…

Purity: ndiregedze nhaiwe hona four


yatochaya ndoda kupedzisa ndiende.

Ini: tinoenda babie but why uchifarira


kundisiya ndichishungurudzika mazuva ose?

Purity: ndaita sei, please ndiregedze utaure


usina kundibata.

Ini: kubatwa kunorwadza here usadaro Purity


unomboziva here kuti mazuva ose
unondiomesera zvekuti ndosara
ndichirwadziwa? Paya kare zvainzwisisika
wairamba nekuti taive mukomana
nemusikana now zvataida zvakaita
wakuramba uchindiomesera.

Purity: handina zvandinotaura newe kana


wakandibata tanga wandiregedza. Zviri nani
ndiende hangu kumba unozoprinter zv….
Kutoda kurwisa nhai kuti ndimuregedze
ndakabva ndatomumbundira nemaoko ese.
Taive tichiri takatarisana saka takanyatsoita
munhu one chaiye ndokudhonza hembe
kumashure ikakwirira ndokusara ndabata skin
tight. Handina kuperera ipapo ndakakwidza
maoko kuti ndinobata kumusoro kwetight
ndidzikise kuzasi akabva ada kuridza mhere.
Nekwataive uku chero dai aizodeedzera
hapana aimunzwa so ndakaramba ndichirwisa
kuti skin tight ibve chete ndikatoona kapant
kepink. Akazvinzwa kuti rumwe ruoko rwaive
rwabata pant ndikanzwa sendabaiwa pedyo
nepahuro pamusoro pechipfuva. Akashandisa
simba rake rese kundiruma ndokubata nzeve
dzangu dzese akatswinya zvekuti
ndakambonzwa sekuti ropa ramira kufamba.
Ndakasara ndisina option kunze
kwekumusundidzira zvine simba akabva
atatarika zvekuti dai ndakanonoka kufunga
ipapo ainorovera pacorner yetable nemusoro.
Vaya vanouraya vanhu vamwe vacho zvinenge
zvaitika vasingadi veduwe ndakazvionera ini.
Luck randakaita nderekuti ndakakurumidza
kubata hembe yake so akanorovera zvishoma
asi akatokuvara akatanga kubuda ropa.
Hembe yandakabata yakarudunuka ichibva
chekuzasi kuchisara chekumusoro ikarembera
mberi kwese uku zvekuti dai aive asina skin
tight ndaiona zvese. Zvakaitika so fast zvekuti
chero nguva yekufunga chaiyo ndakaishaya.
Haana zvaakataura akangobata paibuda ropa
nerumwe ruoko ndokubatazve paive
padambuka pehembe nerumwe ruoko
akabuda uku achichema. Ndakasara
ndichivhara zip yandaive ndavhura
ndokutevera asi ndakanonoka nekuti
ndakawana gate ratovhurwa abuda Purity.
Pagate paive pasina masecurity ndosaka
akakwanisa kubuda vaive kune rimwe size
vachibatsirana kupeta tent. Nekwataive uku
chero dai aida kuenda kumba ainosvika
nguvai asina mari yetransport bag rake
rekuchikoro raive kumota mangu apa
ndaisaziva futi kuti aive akuvara zvakadii.
Ndakambomhanya kubuda gate ndikaona
achiturner pane imwe corner ndikadzokera
mukati kunotora mota wanei makey asara
kuoffice. Ndakaita sebenzi kani asi
ndakazokwanisa kutevera paakaona mota
yangu kumashure kwake akatanga kumhanya.
Raive drama kani munhu kutsikira bhutsu
achibvisa dzichisara muroad kuti akwanise
kutiza zvakanaka. Ndakadzinhonga ndikaisa
mumota ndikatevera ndokunomudarika
zvishoma ndikaparker mota ndokuburuka
ndikaita wekudzinganisa akudzokera
kumashure kwataibva. Ndaivek ndakutya kuti
vanhu vaitidarika nemota vaigona kufungira
zvakashata ndikabatiranwa vakandirova.
Kungoti uku kwaive kumaindustry mota
dzaiita shoma kana zuva rodoka kudai.
Ndakashaya mashoko ekutaura
pandakamubata nekuti aichema kani
zvekubudisa voice ndakapedzisira ndakuda
kuchemawo ini.

End of chapter 5
Love you guys
CHAPTER 6
*Purity*

Zvataitogona kuronga zvemumba medu nhai-


nhai naInnoe achindipa mukana wekutaura
zvandaida chero hangu ndaisaziva
zvakawanda nezvemuchato. Pageneration
yedu isu kwaMadondo handidi kunyepa
hatina kumboita muchato vana sisi vangu
vamwe vakakumbirwa havo asi
vaizonobatanidzwa kuchurch zvotopera. Vana
Innoe vaive vajaira ava zvemuchato takaona
wambuya mai Natie kozoti wambuya mai two
wataingonzwa nembiri kureva kuti zvaive
muropa. Ndaitonzwa kugadzikana ndinaye
chaizondibhowa inguva dzaiita
sedzaitandaniswa kuti dzifambe dzichingori
shanje chete kuda kutiparadzanisa. Handina
kuziva kuti Innoe aitofunga zvake zvisina basa
chaaingoda kuti nguva yekuchaisa
kwevashandi vake ikwane agoita misikanzwa
yake. Musi wandakabvisirwa mari vana sisi
vangu vakataura kuti zvaisareva kuti rwendo
rwapera nekuti musha umwe neumwe une
mitemo yawo vamwe vanokoshesa
zvehumhandara zvakanyanya. Ndicho chinhu
chavakakumbirisa ichocho nekuti ndaive
ndabvunzwa day before marooro kuti taive
takambosangana here ndikataura chokwadi
changu. Vaitoti pamutemo chaipo dai ndaive
ndisingaendi kuchikoro ndaifanira kutorwa
ndonogara kure ndichirairwa ndozoonana
naInnoe musi wemuchato. Handina
kumbofungira kuti angaita zvakadaro Innoe
kundiita pfambi here kuda kukatanura hembe
dzangu muoffice shuwa. Maitiro ake aisave
aya ekuedza kuti munhu anoda here kana kuti
ajaira aitove nechokwadi kuti ngazviitwe
hapana chinotyisa apa. Ndakabatikana
hakuna kurerutsa munhu kwakadaro aaa
ndaive ndisati ndamborara nemukomana
hangu asika vana mbuya mai Munya ndirwo
rwaive rwiyo vachiti “kukwira gomo
huvandurira.” Munhu kungosimuka
nekusimudza dress hoyo atove kudzikisa skin
tight ruoko pfee papant. Haana kugumira
ipapo akanga atokatanura belt rake kare zip
yavhurwa wanei ofemera padenga sendere.
Nguva yekumuudza zvaive pamoyo pangu
ndakaishaya munhu akutoita mutsimba
seanorwisana nemombe. Ndaive nazvo
zvekutaura, ndaive nayo mibvunzo yaida
mhinduro nekuti vakandiraira vakandiudza
kuti ndaizosangana nazvo chete izvi asi zvaida
kutaurirana vanhu moonesana. Ndaida
kumubvunza kuti “ko zvawave kudai iwe
wakati unoda kuita zvinhu negwara saka
wakandisiirei kumba kwedu pawakabvisa
mari? Ko vanhu vekumba kwenyu uchavaudza
kuti chii zvawakuda kuita mutambo
wemusango? Vanozobvuma here kuti ndiwe
wandimanikidza uye hachizove chituko here?”
Ndaimuda Innoe nemoyo wese kungoti nyadzi
nekakutya zvaindikurira asi hapana
pandaizotadza kutaurawo mashoko akakosha
kudaro. Taingotenderanaka kana
zvakumukurira onditora hake tonogara kumba
kwavo pane kuti mangwana agowana
zvekuhwanda nazvo achiti ndini
ndakamudzidzisa kuitira musango. Chipfuva
chaipisa ichi nekuti ndakanyanya kurohwa
nehana kozoti kumhanya kwandakaita
ndichibuda gate. Zvekuti musoro waive
wakuvara ndakanozviona ndatove kucorner
ini aikaka ruoko rwakazara ropa.
Pandakabondera ndakanzwa sendabatwa
nechiveve hapana kutomborwadza zvachose
asi nekuda kwekumhanya kwandakaita uku
musoro wakati haikona kani unonyepa. Ropa
rakangobuda rakawanda ndichangokuvara
apa pandakazoriona raive rakungoti ndikabata
ndipo pandairiona chete. Hembe hatichatauri
kwaitove kusvika kumba ndichirasa asi
mubvunzo manje waive wekuti kumba
kwacho ndaizonosvika sei, nguvai? Zuva raive
rakudoka, ndaive ndisina mari yetransport
bag raive rasara mumota maInnoe uye
kwataive kwacho kwaive kuresa. Kudzokera
kubasa kwaInnoe zvaisaita futi ndaisaziva kuti
aifungei nekumuruma kwandakaita kunova
kwakazokonzera kuti andisundidzire
nekundidamburira hembe. Zvekurohwa hangu
kubva ndiri mudiki ndaizviudza kuti kana
ndabatwa ndakawarairwa kwete kutopa
munhu muviri wangu kuti rova hako zvaisaita.
Kuchikoro chaiko ndaizivikanwa nekuridza
mhere kana ndangobatirwa shamhu. Zvekuti
aive achiri kundida here kana kwete
taizozviona izvo chandaida kutsvaka way
yekuti ndisvike kumba kwedu chete. Dai
ndaive nefoni zvaiita nyore ndaingofonera
sekuru baba Munya vozonditora. Number
dzandaiziva nemusoro ndedzambuya
nedzamama so ndaive ndazvipira kuti
ndikasangana nemunhu anenge achifamba
netsoka ndomukumbira foni ndoudza mbuya
kuti sekuru vauye nemota. Yaa izvi zvaiita izvi
nekuti kubva pandaive ndabuda gate
repabasa paInnoe handina kumuona
achitevera ndakatosvika pacorner ndikapinda
muroad yainanga kutown ndipo pandakaziva
kuti aive akanditsamwira. Ndati fambe-fambe
ndakaona mota iyo yatevera aimi vakafa
havana chavakaona ndakaita sebenzi rabvuta
chikafu kuvanhu. Speed yandakabura ipapoka
ndakambokanganwa kuti musoro wairwadza.
Zvishangu ndakabvisa zvaive zvine kaheel
kakati kwirirei zvishoma saka dzaive
dzakundikanganisa kumhanya. Ndakangonzwa
kuti mota yamira handina kucheuka ndakabva
ndafunga kuti pamwe munhu afunga
kudzokera kumashure. Pandakapesana
neimwe mota yered ndipo pandakakwanisa
kucheuka ndikaona aikaka munhu akuuya futi.
Akasvika pandaive akatanga kutaura but
ndaisanzwa ini uye ndakabva ndaturner
ndakudzokera kumashure kwandaibva.
Akanomira ave nechekure ndokukonesa mota
achidzoka ndakabva ndaridza mhere vamwe
baba vaifamba kukaroad kadiki kemuside
meroad vakabva vamhanya vakauya kwandiri.
Vakasvikirana iye achimisa mota ivo vachitoti
“kwakanaka here mwanangu waita sei?”
Akamhanyira kupindura Innoe hanzi “vange
vachirwa kubasa saka uyu akuvara tiri kuda
kumuendesa kuchipatara iye akutiza.”
Mudhara: ko wakutizei nhai mwanangu hona
wakuvara ropa rese iri ko waange achirwa
naye wacho akuvara here?

Innoe: haana.

Mudhara: hauna mhosva mwanangu chero


mapurisa akauya vanotarisa nyaya iwe
chingoita kuti urapwe chete.

Innoe: maita basa baba apa muri kuendepi?

Mudhara: kutoenda kumba mwanangu asi


pachine chimufambo zvapo. Ndikadarika
maindustry aya ndonopinda musango riri
mberi uko ndiro randiri kuvavarira kuti
ndidarike kusati kwasviba.

Akavapa mari handina kuona kuti yaive marii


vakatenda kani kutoda kupfugama pasi.
Pakabva pangosvika kombi vakati yaienda
kwavaigara vachibva vakumbira vakakwira
ndokugara pakadoma sezvo yaive yakazara.
Takasara takamirisana semachongwe aneta
nekurwa. Kuzoda kukumbira ruregerero
nekunzwisa tsitsi handina zvakawanda
zvandakataura ndakangoti “ndipe bag rangu
ndiende.”

Innoe: pinda mumota titaure Purity hona


wakuvara hembe yako yad…

Ini: zvese izvo hazvina basa ndokumbirawo


bag chete.

Misodzi haina kubuda apa ndaitaura nevoice


rine ushingi nehasha. Musoro wandakabva
kupondwa shuwa-shuwa munhu
akundiroveresa zvairevei izvi? Ndiye aive
atanga zvake zvekundiita sedhongi
ndikamuudza kasingaperi kuti andiregedze
akaramba achiita nharo.

Innoe: okay ndonokusiya hako mutown


wokwira woenda kumba tozotaura kana wave
calm.

Iyi ndakaona seyaiita handina


kutombopindura ndaitya kuti ndikaramba
pamwe naiyewo aizoramwawo. Akanovhura
door rekumberi ndikadzungudza musoro
ndokuvhura rekumashure ndikapinda. Kubva
apa handina kumbozotaura naye
aingowawata achikumbira ruregerero ini
ndakatarisa pasi. Bag ndakatora ndikaisa
pamakumbo ndokuburitsa mari yaive
pachihomwe ndikaisa mubra. Izvi
ndakazviitira kuti kana pane zvaizoitika
ndaibuda mumota ndine pekutangira.
Pfungwa hombe yandaive nayo yaive yekuti
Innoe aigona kunditakura kuenda neni kumba
kwavo. Zvaive zvakasiyanei nemunhu atizira
nhai wosvika wakubvunzwa “chii chaitika,
wabatwa here, wadzingwa here kumba nekuti
wanonoka?” Takupinda mutown hanzi “rega
ndinokusiya kumba ndokumbirawo.”

Ini: kwete.

Innoe: ndinzwisisewo Purity I’m sorry kana


neni ndazviona kuti ndakanganisa.

Ini: ndisiye pano ndiyambuke netsoka iyo


kombi inoenda kwedu.

Innoe: rega ndikupe t-shirt upfeke oooh


nemari yekombi.

Ini: no thank you.

Ndakavhura door ndikasiya asticker achida


kubvisa t-shirt chero door remota handina
kuvhara ndakafambisa ndichibudisa kajacket
kaive mubag ndikasungira muchiuno.
Ndakabata-bata zvakare mubag ndikawana
wool hat yangu ndokupfeka mumusoro
ndichitopinda mukombi kumberi chaiko
kwaive kwasara seat. Yakasimuka kombi
ndikaona murume mukuru achitsikitsira
akaisa musoro pamota ndikati hanya nani?
Kumba ndiko kwandaive ndakushaya kuti
ndainosvika ndichiti chii nguva dzaive dzaenda
handina kumbobvira ndanonoka kubva
kuchikoro zvakadaro. Hembe ndaive
ndagadzirisa vaigona kusazviona kuti yaive
yadambuka asika kumusana yaive neropa iyi.
Paseat ndaive ndakagara ndakazembera
hapana akamboona matambudziko angu
kusvika ndaburuka. Bhutsu dzakasara futi
mumota maInnoe ndakatozviona ndaburuka.
Ropa ndaive ndakwanisa kuvhara nekuti
ndakabereka bag kumusana. Pashangu apa
paitoda kuti ndipinde mumba pasina andiona.
Ndakangoti ndaizozviona ndasvika ndikatanga
kufambisa ndichipota ndichimhanya vavariro
yaive yekuti ndisasangana nevanhu munzira.
Pandakanopinda pagate ndakambozembera
zvishoma ndichifuridza mweya waipisa
uchibuda mumuromo mangu. Musoro
wairwadza ndaitoda kusvika ndichinwa
mapiritsi ekunyaradza marwadzo andaive
nawo akasara paya pandakamborwara.
Ndakubva pagate pane mota yakadarika
handina kukwanisa kuiona zvangu but
ndakanyatsonzwa kuti haina kure
kwayakaenda yakangodarika ikanomira.
Ndakapinda mumba ndichifamba sembavha
ndikawana mudining musina vanhu
ndakunodarika pakitchen ndakanzwa “Purity
wadzoka tange takutoshaya kuti wabatwa nei
muzukuru?” Vaive mbuya mai Munya
vakataura vachivhara poto ndokuuya
kumusiwo. Pakarepo mama vakadeedzera
“auya here maiguru ndiani wamuri kutaura
naye?” Vachipindurana ndakati ndawana
mukana ndokupinda muroom mangu
ndikasvika ndichibvisa hembe yandaive
ndakapfeka ndikakanda pamusoro
pewardrobe ndokupfeka night dress.
Ndakanzwa mutsindo wemunhu aiuya
nemupassage ndikabudisa mabook ndokuisa
pabed ndikatanga kutsvaka-tsvaka nhema
ndichizunza bag. Vakapinda mama ndikaita
sendaive ndisina kuvaona kuzotaura ndega
kani “yaendepiko kuti yasara kuchikoro here
nd..”

Mama: uri kutsvakei Pue?

Ini: oooh mama maswera sei henyu? Zvinhu


zvangu zvekuchikoro nhasi basa randinaroka
rinotemesa musoro. Ndamboedza kunyora
kuchikoro ndikatadza kupedza asi ndachovha
hangu zvandiitira nyore tichibatsirana
nevamwe.

Mama: ndange ndichitove worried kuti asi


wazotorwa nemurume wako here? Aaa vanhu
vanokuitira zvimweka uchingoti mwana
wakachengeta wozoona muzukuru akuzvarwa
neeight months (vakaseka).

Ini: mama veduwe ko Innoe ndaigomuonepi


handiti akaenda kumusha here?

Mama: vadzoka kare avo sekuru vako


vanotorimo mumba vasvika masikati.
Ini: handina kumbomuona ini pamwe ari busy
hake.

Mama: okay imboita zvemabook ndokuti


uone kuti mama vaireva vachiti mari yenjere
inorwadza kkk.

Ndakasekawo zvekuvhara kuti vabude but


pese pataitaura apa vaitondiwedzera
marwadzo mumusoro wangu. Ndakasara
ndichibudisa mapiritsi, bandage nemishonga
yekuzora paronda. Pamishonga yaivepo paive
neumwe waive nezvimagodo kuita sesalt
waishanda kusuka maronda. Ndakanotora
mvura yaidziya mubathroom ndokusanganisa
nemushonga uya ndikanyika cotton wool.
Ndichingonoisa mumusoro ndakayuwira
ndichiscreamer but ndakakurumidza kubata
muromo kuti ndisanzwikwe. Mbuya mai
Munya vakandinzwa vari pamusiwo
vakadeedzera “chii Pue” vachitopinda
ndakabva ndavaitira sign yekuti vasataurise.
Vakazviona kuti pane zvaive zvisina kumira
mushe vachibva vabata chipfuva kuratidza
kushamisika vakauya pabed pandaive.

Mbuya: (nevoice rakaderera) nhaiwe


mishonga iyi, ropa ndezvei?

Ini: aaa hapana.


Mbuya: usati hapanazve ini ndakatarisana
nazvo, aya mapiritsi emarwadzo ndiudze
Purity wa….

Ini: ndakuvara musoro mbuya ndokumbirawo


musaudze mama.

Mbuya: sei, nei, uchitei nhaiwe simuka


ufambe tione?

Ini: musoro wangu uri kurwadza mbuya.

Mbuya: (vachiita sevanokwidza voice) ayizve


handisi kuseka Pue simuka tione kuti uri
kufamba zvakanaka here.

Ini: (ndichivaratidza mumusoro) apa


pandakuvara mbuya handina kumboita
zvamuri kufungira zvese izvo.

Mbuya: wakuvara uchiitei asi waita tsaona


here?

Ini: ndiInnoe mbuya ange achida kundibata


ndikamuruma, abva andisundidzira
ndikarovera patable nemusoro akadambura
hembe yandange ndakapfeka.

Mbuya: (vachigara pabed) iii kupi nhaiwe asi


wange waenda kumba kwavo?

Vakabata-bata musoro wangu vakavhunduka


vanzwa kuzvimba kwepandaive ndakuvara.
Shungu dzakandibata ini ndikatanga kuchema.
Mbuya vakambogara pasi vachiratidza
kupererwa ndokuzosimuka vakati “ndiri
kudzoka rega ndiisire sekuru namama vako
chikafu ini ndichazodyira muno newe. Umm
wakuvara zvakanyanya muzukuru ko wadii
kuti tiudze mama uende kuchipatara?”

Ini: mama musavaudze mbuya kana ndaona


ndamuka zvichinyanya ndoenda kuseni
kuchipatara.

Vakarovanisa maoko vachisimuka, foni yangu


yakabva yarira mbuya vakaita sign yekuti
ndidaire aive Innoe. Ndakacutter ini ndaisada
zvekutaura naye shungu dzandaive nadzo
dzaive dzakawandisa. Akafona futi kanokwana
kafour ndikapedzisira ndadzima. Mbuya
vakaita nguva vasina kudzoka asi vakazouya
vachitaura naInnoe pafoni yavo. Vakaedza
kundipa kuti nditaure naye ndikaramba
ndikanzwa vakuti “okay ndazvinzwa
muzukuru.” Handina kubvunza kuti aidei
vakangotaura vega hanzi “ko uri kuregerei
kudaira foni Purity inga ari kubvuma wani kuti
akanganisa? Ari kutorwadziwa nekukuvara
kwawaita atotaura kuti dai asina kukudhonza
nehembe pamwe taidei tichitaura zvimwe
pano. Hona Purity muzukuru, Mapanzure
murume wako ane kodzera yekupiwa
zvaanoda newe mukadzi wake. Nyaya yamisa
zvese izvi muchato asi hapana
chamungatsamwirana apa asi munotaurirana
zvakanaka kuti zvawakati unoda muchato
kana zvakona ngatizivise vakuru ndiuye
kumba. Kuramba kwawaita wagona nekuti
varume havanawo kwavo ukamutangirira
musango mangwana anoti ndiwe
wakanditungamirira uchiita zvawakajaira.
Hamheno kuti uri free zvarini akumbira kuti
tigotaura nyaya iyi pamwe chete tichionesana.
Honai muchato wasvika vanhu vakamirira
hurongwa hunobva kwamuri imi ndipo
pamave kunetsana nekuda kwezvinhu
zvamunokwanisa kutaurirana zvopera here?
Pachokwadi chaipo izvi ndizvo zviratidzo
zvekuti Mapanzure murume chaiye akakwana.
Akasatodai nesu tinoshamisika kuti zvino
muzukuru achanogutswa here. Hamheno
kwauri kuti pane zvaunonzwa here kana
akakubata kana kungotaura newe pafoni
chaipo? Ukaona muviri wako uchiramba
wakangoti zii ziva kuti hapana rudo zvachose.
Ndosaka uchinzwa vanasikana vese
vachirairwa kuti ukadanana nemukomana
unofanira kudzidzira kuzvidzora nekuti
tinoziva kui ukapinda murudo muviri une
zvaunotonzwa kuda. Ko hausi kudya wani
imbomira kuchema hako musoro wako
wakazvimba Pue ndoda kutokutova nemvura
inopisa chaiko ndikasadaro haungamborari. Iii
vana ava munoda kutionesei nhaimi zvino
mukapiwa bedroom kwaMapanzure ikoko
unotobudaka wakashama pamba pana
vatezvara. (Vakamboseka) zvakaoma ini
ndakaona vanhu vakawanda muzukuru
vakaurayana mukutamba chaiko vachifudza
mombe wongonzwa zvonzi taita mutsimba
akadonha arovera padombo. Musaite izvo
muri pane zvinokuvadza ndichamutsiura
zvangu murume wako nekuti dai pane zvaitika
ipapa kwaingonzi atora mukadzi wake
kuchikoro akanomuponda.” Pakamboita
runyararo tichidya ndikasimuka ndichinogeza
maoko kutoilet vakati “asi waguta nhaiwe?”

Ini: ndaguta mbuya maita basa, ndange


ndichingoda kubata ura kuti ndigokwanisa
kunwa mapiritsi.

Vakaregawo kudya vakatanga kugadzirira


zvekuti vanditove ronda rangu. Mvura
vakanodziisa kukitchen ikauya ichipisa chaiko
ndokuzadza mazisalt. Zvandaive ndakuvarira
mukati nhai veduwe ropa raibuda kuyerera
pavaitova kureva kuti kuzvimba kuye raive
raungana mukati. Ndaiyuwira zvaisaita kuridza
mhere taitya kunzwikwa namama.
Ndakavatenda mbuya chero zvangu
ndakarwadziwa asi vakandibatsira kwazvo.
Vakandimirira kuti mapiritsi atange kushanda
pandakangoti ndaive ndakunzwa zviri nani
vakasiya vandirarisa vakabuda vakuenda
kunorara kuroom kwavo. Sekuru baba Munya
handina kukwanisa kuvaona ndakarairira
mbuya kuti vavaudze kuti taizoonana kuseni.
Ndongoti ndakarara hangu zvakanaka ko kana
uchirwara chakakoshaka kumuka uri
mupenyu. Chimwe chakandibatsira mapiritsi
ndakatomborwadziwa husiku asi
pandakaanwa zvakare marwadzo akabva
apera. Kuseni mama handina kuvaona
vakamukira kubasa ndivo vakabuda nasekuru
baba Munya kureva kuti naivowo handina
kuvaona. Ini zvekuenda kuchikoro zvakakurira
ndizvo zvimwe zvainyanya kundirwadza henyu
kuti kubva zvandakasangana naInnoe kuenda
kwangu kuchikoro yaive hwakumukwaku.
Matambudziko acho airamba kupera seiko
manje zvazvaidai ndichiri kumba kwedu kuzoti
pandainogara kwaMapanzure ndave muroora.
Mbuya vakandinzwisisa havo pandakati
ndaisaenda kuchikoro asi vakandibudira
pachena kuti ndaive ndakuvaomesera mama
vaizovatsamwira vachifunga kuti ndivo
vaindifurira. Ndakaswera ndakarara zvangu
ndichiteerera muviri wangu ndisina
chinondivhiringidza nekuti phone ndaive
ndakadzima.
Dzatove kumatwo masikati ndakanzwa kuseka
kudining ndikavhunduka ndichiti pamwe
mama vaive vadzoka kubasa. Zvaaive Innoe
kutouya nemaplastic rimwe raitove nehembe
kozoti rimwe raive nechikafu. Vakapinda
muroom mangu vakadungamidzana nambuya
avo vakangosiya vamupa pekugara vakati
“ndiri kudzoka vazukuru pane zvandinoda
kumbopedzisa kuita.” Handina
kumbomumhoresa ini ndaitonzwa kuda
kuchema hamheno kuti dzaive shungu here
kana kuti ndiko kuyema kwacho. Iye aishaya
pekutangira kutaura ndaimunzwa achingotura
befu kasingaperi. Akazosebedza chair pedyo
nepabed akati “Purity-Purity?”

Ini: hee.

Innoe: wakunzwa sei?

Ini: mushe.

Innoe: (akatura befu zvakare) eish sorry hako


nezvese zvakaitika nezuro. Ndatomboenda
kuchikoro ndichida kukuona ndikakushaya
ndikafonera mbuya vakati uri kuno kumba. I
tried to control myself by I failed, ndinobvuma
hangu mhosva yangu I’m sorry. Ungandipa
hako imwe neimwe punishment
ndogamuchira but please usandisiyewo
handingambokwanisi kurarama usipo.
Handina kudya kubva madeko kusvika izvozvi
chero hope dzakaramba kubata babie
zvakaitika nezuro zviri kuramba kubuda
mumaziso angu. Chiri kunyanya kundirwadza
ndechekuti handina kuwana wekuudza kuti
andibatsirewo nemazano. Vana mama
naRhoda vamuka vachienda kumusha
kwemukomana waRhoda ndakaona kuti
ndikavaudza vangatofamba vakaremerwa.
Ndiri kuremerwa Purity ndoda kuziva kuti uri
kufungei kana pane chaunoda ndobhadhara
hangu. Yes, we are married now but hazvisi
izvo zvingandipa simba rekuita zvandinoda
inini tisina kutenderera. Ndini ndinogara
ndichiti you are special yes indeed you are
and you deserve to be treated like one. Izvi
zvinoonekwa nekukuratidza respect uye
kukuteerera zvaunoda nezvausingadi.
(Achibata ruoko rwangu nemaoko ake
aibvunda) Purity ndokumbirawo kuona
pawakakuvara ndakanzwa mbuya vachiti ropa
range rakaungana mukati. Togona kuenda
kuchipatara urapiwe maronda asati adzika.

Aizondinzwisa tsitsi Innoe veduwe


waitombokanganwa kuti ndiro zigentleman
raiyevedza riya kana ada kuzvininipisa hake
achikumbira ruregerero. Neniwo ndaisave
mutsvene honai aingotaura zvekukuvara
kwangu asi ndainyatsoziva kuti manyudziro
andakaita mazino pachipfuva pake aive
echimbwa mupengo chaicho. Mbuya
vakagogodza vakapinda vaine imwe chair
ndokusvika vachigara pedyo naInnoe.
Vakanditi ndimuke ndigare pabed vataure
nesu tichipindura mibvunzo yavo.

Mai Munya: muzukuru Mapanzure wati


mbuya ndoda tizotaura ndiyo nguva yacho
ino. Ini ndoda vanhu vari open kana mune
zvamunoda kuziva munobvunza
makasununguka. Regai nditange nekuti
zvakaitika nezuro mese makandiudza
ndikaona kuti hapana akanyepa nekuti
makataura zvakafanana. Mapanzure uyu
Purity ave mudzimai wako ndochokwadi
chaicho. Nyama dzinokurira tozviziva asika
wakataura pano ukati ini ndoda kuita zvinhu
negwara ko zvarema papi nhai vanangu? Pane
zvazvinoitirwa zvazvakakoshera kuti kana
mazvipira kuita zviri pamutemo hapachina
zvekudimbudzira. Dai makangokanganisana
nezuro kutaura kuno taidei takatouya naye
Pue kumba kuzomusiya. Chinoitika
ndechekuti anobata nhumbu pamwe iwe
wange uchingoda kuravira gapu yozosara yave
mhosva yedu isu kunzi vakatadza kuraira
mwana wavo. Chero ukazoti hauzvizivi isu
tingati chii nekuti pamwe munenge
matsindidzana muri vaviri kuti ngaive secret
yenyu? Honai makakuvadzana ndichada
kuona pawakarumwa muzukuru asi mazino
emunhu akaipa manje wange uchifanira
kuenda kuchipatara.

Innoe: parara pachirwadza zvapo but


mushonga wandapiwa kuphamacy vati
unoomesa.

Akataura achivhura mabhatani epachipfuva iii


ndakashinyira nekutya nekuda kweganda
raive rakachenama uye paive pakazvimba.

Mbuya: yowe-yowe nhaimi vana aimi tipei


maserious zvamunodai nhasi uno kuzoti
mberi kwatichaenda tichatoona makuvaka?
Purity ayewa hazvina kunaka izvi haufanire
kuona sewakatadzirwa wega uri kufungei
neronda rakakura kudai.
Ndakarembedza miromo kutadza kutaura
misodzi ikatanga kubuda. Kwaisave kuyema
asi kutorwadziwa kuti ndaive ndamukuvadza
zvakadaro asi akaita seasina kutadzirwa hake
aitoshungurudzika nekukuvara kwangu ini.

Innoe: mbuya zvamataura ndazvinzwa asi


panyaya iyi ndini ndiri wrong. Ndakakumbira
Purity kuti tinoronga zvemuchato but kuve
pedyo naye kwaka… umm.

Mbuya: ndazvinzwisisa nyaya iripo ndeyekuti


hamukwanisi kuve penyu mega muri two asi
ini ndiri kuti honai makukuvadzana tikasiya
zvakadai hatizivi zvinozoitika mangwana.

Innoe: taive tawirirana pane zvimwe


zvakawanda hedu tikanyora pasi ndoona
sekuti better tiise zvese mumaoko awedding
planner tongoita tichimonitor chete kuti zviri
kufamba zvakanaka here.

Mbuya: Purity unotenderana nazvo here


zvataurwa izvi?

Ini: hapana chakaipa zviri right.

Mbuya: pamataura pese apa handina


kumbonzwa zvekuti ndaneta heee ini
handichadi saka izvi zvekuti munotsamwisana
morega kutaura mese ngazvitange kupera
izvezvi, wazvinzwa here (kwandiri) kunyanya
iwe?

Ini: ehoyi.

Vakaseka mbuya vakatanga kutaura zvisina


basa neniwo ndakapedzisira ndakusekawo.
Zvaive zvotaurwa zvemubedroom zvataiti
zvinonyadzisa hanzi “nhasi tinonyangadzwa
zvedu nevanhu vakuru vakadai
vachitsamwisana kuti hee apotsa andidai
uyuwo achiti ndapotsa ndadai. Mangwana
munenge motinetsa pano muchiti hapana
zvandirikunzwa arikubika hanzi zvii zviya
zvitambo zvinongonyikwa mumvura inopisa
zvotoibva. Vamwe vanochema kuti chero
mhuka dziri nani romance chaiyo havaizivi
mumba umu. Kiss dzinogumira pamuchato
mumba vanhu vanenge vakusemesana.
Chokwadi mukauya makuchema nenyaya
dzakadai ndoda kukurovai handiti matiratidza
mavanga aya nhasi takamirira muchato kureva
kuti munoziva imi zvese-zvese dai
ndaibvumirwa kumira mumadziro ndaiuya
chete. Kuseka zvangu vazukuru vangu ko
ndiyo nguvaka yekufara iyi tichiri vapenyu
kudai.

Vakanotorera Innoe chikafu chavaive vabika


vakauya vakamupa ndokubuda vakasiya vati
vaida kumbonodiridza muriwo panze.
Takasara tichitaura nyaya naInnoe
zvakangotanga paaida kundidyisa chikafu
ndikaramba ndichiti ndaive ndakaguta.
Ndakapiwa tumanice-nice twaaive andivigira
ndokuzobudisa hembe neshangu dzaaive
anditengera akati “ndabhadhara mhosva.”
Apa akaseka chaiko ndikamurova kumusana
nembama zvisingarwadzi. Aive atenga
madress matatu nemapair matatu eshangu
kozoti pack yemapant. Aitoda kumaburitsa
achisumudza mudenga ndakabva ndadhonza
jira ndikafuka musoro. Ndakamutenda hangu
akati aida kuzotumirwa mapicture ndakapfeka
hembe dzaaive atenga idzi. Takaswera
zvakanaka ndipo pandakaonera kukosha
kwekuregerera nekusasunga chigumbu
mumoyo unonzwa kurerukirwa.

Sekuronga kwatakaita zvese zvakaiswa


mumaoko awedding planner. Hama
dzakaziviswa date rataive tabvumirana chinhu
chaive chakutononotsa ivenue nekuti Innoe
akangoti sekuru baba two ndivo vaive vati
vachatsvaka. Taitomirira kudzoka kwavo
kuNigeria sezvo mazuva avo aive asara
mashoma. Isuwo zvekuonana tiri tega
zvakapera musi wekuoffice Innoe aitouya
kumba totandara but aisauya mazuva ose
hake. Kuchikoro ndakanga ndakuendeswa
nekudzoswa nadriver akatsvakwa naInnoe
saka paive pasina zvekumbononoka
ndichichema-chema nenyaya yemakombi.
Maronda edu akanga apora zvawo uye hatina
kumboramba tichiyeuchidzana nezvawo
zvakangopera musi watakataura nambuya mai
Munya. Mukazvitarisisa hapana chaive fun
pane zvakaitika nekuti matambiro akadaro
anokonzeresa rufu chairwo. Paaiuyak kumba
Innoe kuzondiona taingotaura nyaya isu
umwe neumwe akagara panzvimbo yake
ndaive ndakutoshuva kubatwa ruoko hako
veduwe.

End of chapter 6

Love you guys


CHAPTER 7
*Innocent*

Ndozvandaisada izvi zvekuti Purity awane


munhu waanotaura naye. Ukatsamwa
unotaura zvimwe zvinotozokonzeresa chaiko
ndosaka ndakamhanyira kubudisa mari
yandakapa chidhara chaive chakuda kuziva-
ziva zvisinei nacho. Aigona kuti “ndange
ndakuda kubatwa chibharo” zvaizondisiya
papi zvakadai ndaive ndatobatwa nekutya.
Ipapa pataitaura nechimudhara ichocho
hembe yaaive akabata yaive yatorembera
zvayo ichibudisa skin tight pachena.
Ungambozoziva kuti ndiye uya munhu
wandakatora kuchikoro akazvichenera here
musoro kuita sewaive nemwedzi wese usina
kukamiwa. Ndaida chose kuti andifadzewo
semurume wake asi hakuna chinonakidza
kana umwe wako achichema. Ndakazvituka
ndikazvishora ko vanhukadzi havanonokika
kupusa akangoshungurudzwa unoona
seachinja ganda nekutoonda zvese. Ndosaka
varume vachikurudzirwa kuti vasarove vakadzi
kana kuvatambudza nekuti this gender
inopererwa nekukasira. They become
vulnerable zvekuti vakasabatwa nemweya
wehumbondi vanozvibata junk ivo pachavo
pamuviri wavo. Unotoona umwe asisagezi,
asisapfeki zvakanaka chero chikafu anenge
akungoti chikuru aguta haasarudzi zvinovaka
muviri. Ndiudzei kuti nezvaaive Purity aive
atozvipira kufamba netsoka kuenda kumba asi
dai zvaive zvakanaka aitotaura kuti “aa munoti
ndingakwanisa chero kupinda mutown
netsoka here?” Chimwe chikuru chandaive
ndakutya kurambiwa. Paakaramba kuti
ndinomusiya kumba kwavo
ndakashungurudzika kani kuda kuchema.
Ndakasara ndakatarisa kombi yaakakwira
kusvika yanopoterera paround-about. Dai
ndaifamba netsoka maingonzwa kuti
ndatsikwa mutown nekuti zvandainzwa
ipapoka pfungwa dzaimbomira kushanda.
Ndakazofunga kutevera patopera more than
ten minutes asi kombi handina kuibata
munzira. Ndaiti ndichamuwana paaiburukira
asi ndakawana yave nzvimbo ndokudzika
neroad pandakanodarika pamwe paive
pakadzikira ndipo pandakaona achipinda
pagate. Ndaive kure chero dai ndakaridza
hooter aisamboziva kuti ndini. Ndakawedzera
speed ndichiti ndiwane asati apinda mumba
but pandakafunga ropa raive pahembe yake
ndakadarikira pagate ndikanomira
ndanangana neimba yaive panext peyavo.
Handina kuzomira nguva refu
ndakangotendeuka ndikadzokera ndakananga
kumba kwedu. Vana mama naRhoda
vakashamisika vachindiona zvaisavanzika kuti
ndaive ndisina mufaro zvachose. Ndakavati
ndaive ndaneta nekubasa kwandakazoswera
vakabva vasiyana neni sevanhu vaigadzirira
rwendo rwavo. Moyo wangu wakamboti
ndiende kuBelvedere kuna sekuru baba Farai
umwe ukati ko kufonera vana sekuru vaive
kuSA. Ndakazvidzora papfungwa dzangu dzese
idzi ndichiti ndaizomirira mashoko aizobva
kuna Purity. Ndaifanira kumira-mira
semurume ndidzidzire kugadzirisa dzimwe
nyaya ndega. Ndosaka makaona sekuru baba
Farai vakati zvemuchato tironge pachedu
tozovazivisa zvatinenge tatenderana vaiitira
kuti tijairane. Shoko rimwe raizoita kuti
ndisvitse nyaya kuvakuru raive rekuti kana
azoti haachadi nezvangu. Ndiri mukunetseka
ndakafonerwa nambuya mai Munya
ndikambotya kudaira ndichiti pamwe
vachandituka. Ava mai ava vaive munhu
akarongeka henyu vakataura mashoko
andaisatarisira. Zvese zvekuti ndaidawo kufara
nemukadzi wangu vakangoti “zvinowanikwa
muzukuru asi mukasazvidzora
munokuvadzana kana kuita zvihombe.”
Vakapedza nekuti vaida kuzotiona tese
patinenge tiri free ndikavati paive pasina
chakaipa. Vakambondidzikisira marwadzo aive
mumoyo asi pfungwa dzezvaive zvaitika
hadzina kupera. Ndaiti kana pane auya
kuroom kwangu ndikangonzwa knock
ndotovhura laptop ndonyepedzera kuve busy
kuitira kuti asagarisa. Zvakandibatsira nekuti
chero chikafu ndakatovigirwa naRhoda
akaoneka achiti taizoonana adzoka kumusha
kwemukomana wake. Ndipo pandakapedzisira
kuvaona ini nekuti kuseni vakamuka husiku
chaiho vachienda. Time dzavakabuda
ndakavanzwa ko hope dzakambobata here
ndaive ndaedza kufonera Purity akandidzimira
phone saka ndaive ndakufunga kuti kuchauya
message yekurambiwa. Kuseni ndakagadzirira
zvekuenda kubasa kwete kunoshanda asi
ndaida kunonzwa kana pane aive aona zvaive
zvaitika muzuva raive rapfuura.
Ndakatokurumidza kuti ndiwane masecurity
asati aenda kumba. Ndakasvikirana nasekuru
baba Samson vachiti vaive vauya kuzobatira
nzvimbo umwe wemasecurity aive avaudza
kuti akarwarirwa nemwana husiku saka apa
aive amukira naye kuchipatara. Baba Samson
vaive vamirira licence yavo kuti vazotanga
basa ravo rekudeliver fertilizer kune vamwe
vaitenga vachida zvekuvigirwa. Panguva iyi
vaive vakushanda kugadzira maduty
emasecurity nekupiwa zvichemo
vachigadzirisa kunze kwekuti kana zviri
zvihombe ndipo pavaiuya kwandiri. Handina
wandakaudza nyaya yangu vakomana vakatoti
“mukoma takangozoona mota yakubuda gate
kana kumbooneka zvenyu kuti makuenda.
Makakanganwa kuvhara door repaoffice
penyu kozoti window rekuseri uko rakasara
rakashama but tarara takakuchengetedza
hapana kana problem yataona.” Window
ravaireva nderekuoffice kwataive naPurity
luck ndakasiya ndakiya door ndaisatoda kuti
mupinde munhu ndisati ndaona kuti hamuna
kudonhera ropa here. Ndakavasiya vachiita
handover and takeover sezvo umwe
musecurity aizoswera nababa Samson aive
asvika. Ndakananga kuoffice yefight
ndikawana pasi paine madrops eropa kozoti
patable chaipo paive neraive rakatiwandei.
Hana yakatangazve kurova zvaive zvaitika
muoffice umuka zvainetsa kutsanangura asi
regai ndingoti ndakasara padiki-diki kupara
mhosva. Ndakatora mvura ndikadira kuti
rinyorovere ndigowana kupukuta zvakanaka.
Ndakabuda kudzokera kumota kunotora
matissue ndichibva ndatotora nefoni
ndikaedza kufonera Purity. Ndaida kunzwa
kuti aive arara sei uye kana airwadziwa
zvakanyanya ndaida kumuendesa kuchipatara.
Ndaitodawo futi kukumbira kuti ndimuone
ndimuudze zvaive pamoyo pangu. Phone
yakaenda kuvoicemail but nepaive pave
nenguva aifanira kunge aive atomuka
akugadzirira kuenda kuchikoro. Ndichiri
kunetseka nekusabatika kwaPurity ndakanzwa
kuseka kwasekuru Chivige ndichibva ndapinda
mukati nekutokiya door. Ndaisada kuti vaone
ropa iri chero hangu ndaitoziva kuti nyaya
vaiiziva handiti mukadzi wavo ndaive
ndataura naye achiti Purity akataura zvese?
Ndakapukuta ropa rikabva rese ndokunorasira
matissue mutoilet ndipo pandakazobuda.
Sekuru hapana chavaiziva ndakanzwa
nematauriro avo saka neniwo ndakangoti
regai ndinyarare vagaraka ava vaiti kana
vadhakwa muromo wavo waidambuka rekeni.
Ndakangomira-mira navo zvishoma
ndokuenda muoffice mangu
ndikanozvivharira imomo. Mbuya mai Munya
handina kuvafonera ko ndaitaurei navo hangu
isu taive tatenderana kuti taizosangana musi
wandinenge ndiri free. China kudai basa
raingova rekugadzira fertilizer nekupacker so
handina kumbobvira ndabuda ini ndofunga
vanhu vakatoshamisika nezvandaiita musi
uyu. Munhu wandakangoona ndimbuya mai
Samson pavakandivigira tea pabreak asi
ndakatogara ndavaudza kuti vasazvinetsa
nelunch nekuti ndaida kubuda.
Ndakabuda pasara twenty minutes kuti lunch
ikwane ndikangoita zvekuridza hooter
nekuwaver ruoko kuvakomana vaive kuseri.
Pagate handina kumira baba Samson vaive
kuseri so mukomana aive pagate aitovewo
mutsva ndaimuona hangu kuti pese
pandaisvika pavari airatidza kutya.
Ndakambomira mutown ndichifunga kuti
ndotengei chekuti ndinokumbira ruregerero
ndakabata. Ndizvo zvinonetsera vasikana
vasingapindi murudo vachitsvaka mari nekuti
isu varume tinofunga kuti tikatenga
zvinodhura mhosva yatopera. Vasikana
vanoda mari vanotoita sekuti kupinda naye
murudo wajoiner insurance company. Nhamo
dzake dzinobva dzatanga nhasi handina
chakati, mangwana kumba kwaitika zvakati
chero neairtime anoita seatanga kudzidzira
kuishandisa pauri. Dai aive Marian uyu
wandakanetsana naye ndaidei
ndakatofonerwa kana kutumira message
wotoudzwa kuti “pane zvawaita izvi ndoda
mari yakati yekutenga chino nechino.” Amai
vake vairwara havo zvandaiziva asi pese
patainetsana waitoona message yauya yekuti
vave serious. Zvaindibhowa izvozvo ndivo vaya
vakadzi vekuti murume akamira kuenda
kubasa anotakura twake twese oenda kwamai
vake. Ndakaona kuti nguva ingapera ndichibva
ndadriver ndisina chandinacho ndikaenda
kuchikoro kwaPurity. Pane vakomana vaive
vakutoita sevaimirira ini nguva dzose
paikwana lunch. Mugoona ndaingovatuma
kunodeedza Purity pasina kana chandaivapa.
Musi uyu ndakavapa mari yemadrinks
vakatenda kwavo asi ndakazobhowekana
vadzoka vachiti aive asina kuenda kuchikoro.
Kubva pandakarumwa naPurity kuoffice
muzuva raive radarika handina kubvira
ndafocuser zvakanyanya nezveronda
raakandipa. Pandakaenda kumba
ndakangobvisa t-shirt yaive yazara ropa
ndikaisungira muplastic kuti ndigonoirasa.
Ndaisada kuti aunt vaitibatsira basa vaione
vaigona kuzoudza mama ndikavhiringidzwa
nemibvunzo. Ipapa ndakatoifunga kuti dai
ndakaitakura kuseni ndakatonokanda
pachikova chaifamba nemasewage chaive
pedyo nekubasa kwangu. Ronda rangu
ndakarifunga pandakazvidzimbira ndichitora
mari yandakapa vakomana vandakatuma
kunodeedza Purity. Kurwadza kwacho
kwakasimuka zvine simba zvakandipa kuti
ndipatarise ndikaona kuti raive rakuita
tumvura twakacheneruka. Ndakapinda
mutown ndikananga kupharmacy ndikataura
chokwadi vachibva vandiudza mushonga
wekutenga uye vakandikurudzira kuti
ndichekwe chikanda chaive paronda nekuti
chaizokonzera kuti paite urwa. Musikana
wandakataura naye aive akutoda kuonererwa
hanzi “kurumwa pachipfuva vakadzika ava asi
maive maramba kubhadhara?” Handina
kumudaira aitondibhowa zvekuti ndaigona
kumutsivira shungu dzese dzekuti ndaive
ndisiri kukwanisa kutaura naPurity.
Ndakamira-mira mutown ndichitengera
mukadzi wangu hembe ndokuwedzera
negrocery randakatengera ambuya vangu.
Vasikana vanotaura kunze uko vakomana
vanofanira kuzviziva izvozvo kuitira kuti
vagoita zvakanaka murudo. Zvinoshoresa
zvekungoda kubvisa munhu hembe dzausina
kutenga apa unenge usingazive kuti ageza nei
zvaunozoona akachena achinhuhwirira
zvakanaka. Ini ndaive ndatodambura hembe
dzakatengwa naambuya zvainyadzisa izvi
ndaitonzwa kuremerwa.
Kuroora uku kwakangonaka chokwadi ndini
here mwana wamai Innoe akakura asingazive
kuenda kunotenga sugar chaiyo asi zvemusi
uyu ndakaisunda trolley mushop. Zvisinei
hazvo ndakabva ndafonera mbuya mai Munya
ndaiitira kuti vagondigashira kana ndasvika
vakabva vatondiudza kuti Purity aiveko
kumba. Veduweka nyama dzemuviri dzinoda
kuudzwa zvekuita kwete kudzipa mukana
wekuita zvadzinoda. Mashoko ambuya mai
Munya akandivhura njere ndikaona musiyano
wehubhinya nerudo. Rudo kutaurirana
monzwanana ukaona wakuda kuita zvaunoda
iwe wega zvisingadiwe neumwe wako watove
bhinya. Mukurwisana muchishandisa simba
hapashaye anokuvara kana kufa chaiko so
mashoko avo akanyanya kundibata zvekuti
taifanira kuita zvinhu tatenderana. Mai Munya
ndaivadira kuti vaisatora side zvavo
vaingotaura nyaya sezvairi uye zvinonzwisisika
futi. Rudo rwaive ruchiripo pakati pedu
naPurity ndakaita kutura mafemo chaiko
kunzwa kuzorora nekuti ndiyo nyaya hombe
yandainyanya kutya iyi. Vakataura zvakare
nyaya yekumirira nguva, iyi yaive mumaoko
avo nekuti ndivo vaifanira kuudza Purity
zvekuita. Ndaitoda kuona kuti musi
wataizosangana wacho ayiita sei asiwo kana
aizoomesa musoro hapana pandaizotevedzera
zvekuchema kwake, taizopedzerana hedu.
Kubva pandakasvika tikataura nyaya nambuya
mai Munya vakatigadzirisa hapana
patakambosanganisa maziso naPurity. Ainyara
chero neniwo ndaiti ndikafunga nenguva
yandaive ndatovhura zip ndainzwa kuda
kunyura pasi. Pandaive ndakuenda
aitofambira kumashure kwambuya mai
Munya pakuparadzana akaramba kusara neni
kugate so ndakangozoti taizoonana
nekufamba kwenguva.
Kuonana kwandakaita naPurity ndikaziva kuti
taive tichiri pamwe chete kwakandipa ushingi
hwekuti ndichisvitsawo nyaya yangu kunana
sekuru vangu. Ndakafonera sekuru Farai
ndichitove munzira vakadaira vachiti “mira
ndokufonera back manje-manje pandiri pane
mota dzakawandisa.” Vakadimbura
ndikambofamba kwekanguva ndokuzofona
zvakare vakati “ndiri kubva kunosiya mainini
naNigel kuairport vatokwira havo vaenda.”

Ini: ooh ndange ndichiti vaenda kusenika?


Farai: zvachinja nelast minute nekuda kwekuti
ndege yavaenda nayo iri kunoperera mutown
mavari kuenda chaimo but dai vaenda neye
kuseni vainokwira futi.

Ini: okay saka tichazonzwa kwavari kana


vasvika kuti vafamba zvakanaka here.

Farai: ndozvega zvatamirira, varisei dad vangu


(vaireva mama) ohh mwana wangu zvakare?

Ini: vari right avo vabudawo kuseni nhasi


handisati ndatonzwa kuti vafamba sei.

Farai: okay vachifambira nyaya dzemuzukuru?

Ini: yes, but ini ndini ndakapotsa ndaita


maone nezuro sekuru chero ndikazvifunga
ndinobatwa nekutya.

Farai: chii futi?

Ndakatora nguva yangu kuvaudza zvese


zvakaitika handina kumbosiirira kana kuda
kuzviita munhu akanaka. Ukange uchitsvaka
rubatsiro kuvanhu buda pachena vanobva
vakuonesa zvingave zvakanaka kana
zvinorwadza iwe unozosarudza
zvinokubatsira.
Farai: ummm zvotyisa shuwa tiri kutaura
munhu asina nguva refu abvazve kupondwa
musoro. Zvataurwa nambuya mai Munya
ichokwadi kuti kana muchato wakukuitira
kure ingopa munyai shoko azivise vana baba
kuti wakuda mukadzi wako. Ini ndaizviita
hangu haisi nyaya yekuti unodisa zvinhu
zvitori normal chaizvo asi iwe ungade
kusangana nemukadzi wako kekutanga
musango here kana panzvimbo
yakamanikidzika unenge watomufananidza
nepfambi. First time panotorwiwa saka
kuavoider kukuvadzana zvinodawo panzvimbo
pari safe pekuti chero mukaumburudzana
hapana anokuvara. Inosetsa hayo nyaya yako
asi inotyisa shaar munhu haakurudzirwi
kukuvara musoro zviri dangerous zviya.
Ndakazoudzwa imwe nyaya natsano Tineyi
hanzi kumusha kwavo uko pane mukomana
akaenda nebabie rake kugarden akasvika
okurirwa sezvawakaita izvi vakatanga
kukikiritsana. Zvagara isu varume kana
tashatirirwa tinoita simba rakawanda so
mukomana akaita zvekusimudza musikana
akamukandira pasi nemusana ndokutoenda
pamusoro. Akazomudonhedza atodambura
hembe dzese izvo paakanosvika pasi paive
nechitanda chaive muvhu chakanobaya
musikana uya kumusana iye haana kuzviona.
Musikana akawedzera kuchema semunhu aive
abaiwa mukomana haana zvaakaziva
akaenderera mberi nezvaaida asi manje
kurwisa kwemusikana kwakaenda kuchiita
kushoma. Mukomana akawedzera aona
asisasundidzirwi aifunga kuti anakira babie
rikapera simba paakazoti apedza akuda
kuudza musikana mashoko erudo wanei
maziso apidiguka mazino panze uku muviri
wakuenda uchitonhora. Zvinhu
zvinongochinja shaar nenguva diki-diki akabva
anzi murder nekuraper ndokutongerwa life in
jail.

Ini: eish pakaipa sekuru.

Farai: aaa pavanhukadzi shaar panotoda


kungwarira kungoti nekuda kwemabasa aya
hatinyatsowana nguva zvedu asi ndidzo nyaya
dzatinofanira kudzidzisana vanhurume.
Kurovana chaiko hakuna kunaka ini
ndakadzidziswa zvakawanda mazuva aya
andakambosungirwa nyaya dzaOlivia.
Mapurisa chaiwo anozviziva kuti vamwe
vanozourayiwa ava nevarume pamwe ndivo
vanenge vane mhosva anobva atanga kubata
mapanga, mabhotoro nezvimwe
zvinokuvadza. Murume paanowana mukana
wekubvuta banga riya hasha dzinenge
dzakwirira obva abaya ave iye hapana
achateerera zvinozotevera kunongonzi
wauraya mukadzi. Kurudziro yavo kana paita
nyaya dzakadaro dzekuti matukana
nekurwisana vanoti murume suduruka
wozodzoka hasha dzapera just for the sake of
peace. Ukanyimwa bonde rega kuita
mutsimba nekuti pachataurika mashoko
anorwadza wakumuti anohura ratove bopoto
rinopedzisira zvave zvibhakera. Kunyimwa
kunorwadza shaar hatidi kunyeperana asi
ukangoisa maice blocks zvinopera
watoavoider zvakawanda.

Ini: ichokwadi sekuru neni pano ndikafunga


zvakaitika zvacho ndinobatwa nekutya.

Farai: best way muzukuru tsvaka zvekuita uve


occupied pamazuva asara aya wakamirira
muchato. Ita mabusiness proposals kana
zvichibvira ufambe zvakanyanya zvekutoenda
kune dzimwe nzvimbo uchaona kuti mazuva
emuchato anotozongosvika wakawarairwa.
Hasha dzaunadzo dziudze dzidzikame
okumbira upenyu chete along the way nekuti
ukazofa iwe usina kudya wakafita kudzoka
uchitinetsa.

Ini: (ndakaseka) hamunyepi sekuru


ndinodzoka same day randinenge ndafa iroro
nekuti Purity ndomuda hangu.

Farai: ndakazviona hangu kuti murume wamai


vangu akaperera uyu manje mhepo dzinenge
dzichitozviona unofanira kuzvinzwisisa izvozvo
zvakanyanya. Hona nguva yamakadanana kuti
ishoma sei asi makasangana nemiyedzo
yakawandisa inorema futi. Ooh chii chiri
kuitika apa vanhu vakaungana-ungana
zvemuno zvinotyisa rega ndichinje road
unobatanidzirwa zvako. Tozotaura shaar pane
mota yasvika iyo ine vanhu vakabata pfuti
ndakutiza ini.

Ndizvo zvaibhowawo kuSA kungogara munhu


uchihwanda nyaya dzacho dzaisapera idzodzi
dzekupfurana nepfuti sekuti upenyu
hwevanhu hauna kukosha. Ndakatotadza
kubvunza sekuru kuti mbuya vaive sei havo.
Mbuya mai Natie vaingoda munhu anovajaira
nekuvagamuchira sezvavaive kwete kuda
kutsvaka kuti nhingi anodai waigona
kutovavenga. Handina kana zuva rimwe
randakambofonerwa navo kungoti “muzukuru
zvirisei” ndaitotaura navo kana ndafona ndiri
ini. Ndaingoti pamwe vaive vasati
vanyatsondijaira zvavo ndaitoshuvira kuti
vazonzwe kusununguka havo. Pandaienda
kumba kwavo kuSA ayewa taingowirirana
vaitotaura nekuitawo majokes neni
semuzukuru asi ipapa ndipo paingove
nekakusanzwanana. Chandaida hangu pavari
ndechekuti vaibvumidza sekuru kuuya
kuzomira neni panyaya dzangu. Kubva
pakabiwa Purity paya sekuru vakauya
kukazoita nyaya dzekucourt neidzodzi
dzekuroora saka ndaifanira kutenda nerudo
rwavo. Sekuru vakazondifonera ndakutosvika
kuBelvedere vachiti vaive vatosvika kumba
havana kunzwa kuti avo vekubatirana pfuti
zvakazopererepi.

Mumazuva akatevera rudo rwangu naPurity


rwaive rwagadzirisika though pakaita
machanges akati wandei. Ndaive
ndakumuonera kumba kwavo chete uye
ndakatsvaka munhu aimuperekedza kuchikoro
nekudzoka naye. Vana sekuru baba Farai vaive
vadzokera kuBulawayo but taitaura zvedu
pafoni ndichivapa update yezvese zvaiitwa
nawedding planner wataive tatsvaka. Sekuru
Nigel ndakakwanisa kutaura navo vakandipa
basa rinova randaishandisa as a weapon
yekuti ndigare ndiri occupied. Kulodge kwavo
kwaida kuitwa tumafinal touch nekuti vakati
musi wavaidzoka ndipo pavaizosvikirako
vachipa mbuya mai two sesurprise gift.
Chainetsa manje ndechekuti hama
dzaizoziviswa sei pamwe paizoita umwe
aizonyeurira mbuya mai two. Sekuru Farai
vakati vazivise sekuru baba Farai izvi zvaizoita
kuti zvive nyore kutakura mbuya mai Farai
nevana kuuya kuHarare. Surprise inonetsa
kubudirira kwayo ukaona zvaita sekuronga
kwako itotenda mwari. Sekuru baba Farai
vakazvigamuchira havo asi vakamboita
kakubatikana kuti shuwa sekuru Nigel
kungoita zvinhu zvakakura kudaro vasina
kuvaudzawo here? Semubereki kana aripo
anenge achitarisira kutungamidzwa mberi
nevana vake. Taive nasekuru Farai vaigona
kutaura ndivo vakakumbira ruregerero
vakagamuchira havo ndokubvuma kuti
vaizonge varipo musi wacho. Mama vangu
hatina kuvaudza ava nekuwirirana kwavo
nambuya mai Farai taizokanganisirwa zvinhu
zvese. Zvekutaura musi wacho ndaive nazvo
ndaizovati kuri kuendwa kunoona kuti pataive
tasarudza kuitira muchato pakanaka here.
Nyaya yevenue ndiyo imwe yainetsa vanhu
vaiona sekuti ndaisave serious nekuti pese
pavaibvunza ndaivati “ndakamirira mhinduro
kwese kwandakatumira maemail message.”
Havaizotadza kundidaro chokwadi nekuti
vanhu vacho vaironga zvinhu zvavo nekukasira
ndaive ndakutoona shanduko hombe.
Madress aPurity aakasarudza aive atove
kubasa kwemuzukuru wangu muhombe mai
Ashie vamirira zuva ravaizosimuka kuuya
kuZim kuti vamatakure. Vaida kusvika a week
before kuitira kuti anenge asingashandiswi
acho agoita zvekutumirwa back mazuva
avaive vaudzwa asati akwana. Mama
vaimhanya-mhanya nekutsvaka hembe hanzi
“zvekuti vanhu vanozvitengera ndezvako izvo
ndodawo kuita madanha ndiwo mukana wega
wandawana pamwe ndichatadza kuchembera
kusvika vazukuru varoora saka ndotoshandisa
nguva iyoyi.” Vaimbobatikana havo nekuda
kwenyaya dzaRhoda aifonawo ari kumusha
kwavo achiti vana bamunini vake vaitaura
zvinhu zvisina musoro. Hanzi vaiti vanoda
mombe three first vasati vatombotaurirana
zvese zvekuroora. Mombe idzi dzaive
dzekuenda kuchikoro kwaakaita nekuzoenda
kuAmerica zvakare. Ndorangarira vazukuru
ava vachiitirwa zvese nadad nekuti ndipo
pandakazivira zvaimboitwa nana mama vako
kuna mama vangu painzi namama
“Mapanzure haungatongeri vana nemhosva
dzana mai vavo kana vazukuru vachikumbira
rubatsiro vaitire.” Ndiko kudisa mari uku
kwaaitaura Rhoda uye vana bamunini vake
vanenge vaingoda kuvhiringidza marriage
yake. Paitoda murume anonzwisisa kuti vana
vanosiiwa nevabereki vazhinji vacho
vanoshungurudzwa nehama. Dad
vakapedzisira vaenda kumusha kwacho ikoko
kuti vanotaurirana nana bamunini ava
taitomirira kudzoka kwavo kuti tizonzwa
zvaizonge zvabuda musarudzo. Dad
vaizodzoka kumusha musi weFriday
wataimuka mangwana acho Saturday
tichigashira vana mbuya mai Two. Ini musi
uyu ndakamukira kuenda kuMberengwa
kunotora vana mama vambuya mai two. Vaive
vadeedzwa vachinzi vaizogashira mwana wavo
sezvo pavakaenda kuNigeria vasina kukwanisa
kuonekana navo. Chakaita kuti tinovatora day
before kudzoka kweavo ndechekuti takaona
kuti vakakasira kuuya zvaizonetsa sezvo vana
mbuya mai Farai vaiuyawo musi weFriday
iwoyo kubva kuBulawayo. Time yandakapinda
muZvishavane ndichiri kuenda kuMberengwa
ndakatofonerwa nasekuru baba Farai vachiti
vaive vachangopfuura muGweru. Vainzwisisa
zvavo vana mama vambuya asi ndakaona kuti
taive tavaomesera kungosvika here nekutoti
varongedze tiende. Takatozokwanisa kuenda
namama vavo nagogo chete nekuti takawana
zvichinzi mukadzi wababa vaivashandira aive
aenda kunogarira kuzvara kuZvishavane saka
pamba paitoda munhu wekuti kana murume
wacho asipo anokwanisa kuchengeta musha.
Baba vavo vakasara asi ndakavanzwisisa
nekuti ipapa ndakatowana murume
aivabatsira basa achinzi aive aenda
kuZvishavane kuseni nekuti mukadzi wacho
ainzi aigona kungoitwa operation mwana aive
asina kugara zvakanaka. Time yaigadzirira
vana gogo ndakambomhanya hangu
kunotarisa pamba pedu ndikadzoka
ndichiwana vandibikira. Huku dziya
dzekumusha ndaidzida chose ndakadya kuita
sendicharwadziwa nedumbu. Kumusha
kwainakidza uku gogo vaivaraidza zvavo
nenyaya dzavo vachitaura chirungu
chenhema.
Takanonoka kusimuka kubva kumusha zvekuti
takanosvika kuHarare kunze kwakutanga
kusviba. Takawana dad vauya vaitove
kuBelvedere vese namama saka vakabva
vaudzwa nasekuru baba Farai kuti paive
nehurongwa hwekunoona venue yemuchato.
Havana zvavakambofungira vakabvuma zvese
tikati one step yaive yabudirira. Ndakazofara
pakasvika sekuru Farai kani vaitoti vakabva
nendege yakavaburutsira kuBulawayo
vakazobata imwe from Bukawayo to Harare.
Ndakaona sekuti mbuya mai Farai vaive
vakuda kufungira-fungira nekuti vakati
“ummm newewo unondiudza kuti wauya
kuzoona venue here kana kuti pane zvimwe
zviripo hako?” Sekuru Farai vaisapererwa
zvavo vaigona kunyepa vachishandisa basa
ravo. Isu takamboenda kumba kwedu
nasekuru Farai vaivepo ndivo vandaizodzokera
navo kuBelvedere. Taida kunowana mukana
wekuronga kuti taizobuda sei kuenda
kunotora vana sekuru Nigel kuairport muzuva
raitevera iri. Takanoudzwa nyaya yaRhoda
nadad vachiti vaive vasiya vagadzirisa zvese
saka date rekubvisirwa raive rabuda
vaizoenda ivo namama. Ini zvangu kana
ndaizonzi rufu rwatarisana neni ndisati
ndakudza vana vangu ndaitokumbira hangu
kuti mwari vatitore tese zvedu. Kwabamunini
vaRhoda kwaizoitirwa nyaya dzake
dzekuroorwa aiti vakamboda kumubata
chibharo. Kungoti nyaya yacho haina kuenda
kure nekuti vakamuvinga mumba
vakazvivhara kumeso paakaridza mhere
vakabva vatiza. Payakada kutaurwa vakanyepa
kuti musi wacho vaisavepo ndokutsindidzana
neshamwari yavo vakati vaive vaenda
somewhere kure. Mazuva iwayo Rhoda
akazotiza akanogara nemuzukuru wangu
muhombe mai Ashie. Bamunini vake ndivo
vaitodeedzera kuti mari ngaiuye shuwa
kungoda kudya pamwana wausina
kuchengeta uye wawaiitira hutsinye. Dad
vaitoti vakazodzikama pavakataura
zvekudeedza mapurisa vachivayeuchidza
zvekuda kubata chibharo izvozvi.
Chandakangofarira ndechekuti zvaive zvave
nechiedza chekuti aizoroorwa zvodarika uye
muchato vakatoti vaizobatanidzwa kuchurch
izvi zvekuunganidza vanhu zvinongoda kana
paine kuwirirana pakati pemhuri mbiri.
Takazodzokera kuBelvedere nasekuru Farai
tikarara taronga zvataizoita kuseni
tichibatsirana nasekuru baba Farai.
Vana mbuya mai two vakagara vati vaizosvika
kumanine so isu takanyepa kuti vaisvika naten
tichibva tati tidarike tichiona kuvenue. Vanhu
vakuru vese vakatoenda nequantum sekuru
baba Farai ndivo vaidriver. Ini nasekuru Farai
takabuda tiri two ndokunanga kuairport
kwatakawana vatoburuka vana Oga vakapfeka
maAfrican attire avo. Mbuya mai two
vakashamisika vachiona sekuru Farai vachibva
vati “inga baba two munonyepa henyu.
Ndatoti hazviite tidarike tisina kuona vana
maiguru nabamukuru zvikanzi havako vese
vakaenda kuChina. Zvatondinetsa kuti
maiguru nezvavave zviya vangakwanisa
kuenda kure kwese uko asi zvakashata hazvo
takadarika paya maiguru vachichema-chema
nemabayo.” Hapana akakwanisa kuvapindura
takangoseka isu ko nhema dzacho dzaive
dzatobatwa hadzo. Takavaudza kuti taive
tasiya mama nadad mutown vachiona
patakawana venue yemuchato saka taida
kudarika tichivatora. Mota yaive diki hapana
pataizokwana tiri six nekuti vaive nemabag
akawanda vanenge vakanoita shopping
kuNigeria ikoko. Vaive vakuda kudeedza tax
ndikavati ndaizovaendesa kumba then
ndozodzoka kuzotora vana dad. Zvakabva
zvareruka tikaenda hedu ndichisekwa nyaya
iya yakaitika pakati pangu naPurity. Sekuru
Farai vaive vakatoudza sekuru Nigel kare
nekuti ndakaona mbuya vachisekawo zvavo
vakatarisa kuside. Takanosvika vanhu
vachiona-ona tikatonzwa mbuya mai two
vachiti “hey wakatsvaka nzvimbo yakanaka
muzukuru uye panoratidza kuti pachiri patsva.
Dzimwe nzvimbo dzinenge dzanzwa
nemazimweya evanhu vanofirapo ukatosvika
kudai unonzwa kuremerwa.” Vakaburukak
tichangopinda gate vakati kuna sekuru Nigel
vavatore picture vari pamaruva ndipo pakabva
pabudikira vanhu vaitobva kuseri kwaive
nemaswimming pool vakapererwa mbuya mai
two vachiona mama vavo nagogo vavo.
Vakatadza kufamba kana kuscreamer
ndokuramba vakasticker vasingazive kuti
kwaive nezvihombe zvaitevera.

End of chapter 7

Love you guys


CHAPTER 8
*Laiza*

Zvaive kumba kwangu zvaisekesa zvoti


zvakare kusiririsa ndaitarisa hangu
sendisingaoni. Ko vanenge vachimbohurireiko
kana vabatwa vopusa futi? Kubva zvakaitika
nyaya yaNatasha iya baba two aive akuita
semunhu akadyiswa. Dai ndaive
nezvandakaitaka ndaitoshungurudzika kuti
“ko ndakaiteiko mwana wevanhu zvaave
kugara mudress rangu nguva dzose.”
Zvemushonga yekuti ndidiwe kana kuitirwa
zvandinenge ndichida ndakazviramba chero
kuendera murume kumaporofita ayewa
ndaigona hangu kungonamata ndiri mumba
mangu. Mazuva ekutanga ndaiti pamwe aida
kuti ndione kuti haachaite zvaNatasha so
ndaitoti kana ari pamba ndinotaura naye
nyaya ndichiti kuda fear yaaive nayo
ingakurumidze kupera. Hapana zuva raidarika
ndisina kubvunzwa kuti “mai two
wakandiregerera here? Mai two
ndokumbirawo usandisiye shaar ipapa
ndikaenda kumashops ndinotofunga kuti
pamwe ndowana waenda. Ndakakurwadzisa
ndikasiya kuzadzisa zvivimbiso zvese
zvandakakupa ndichiti ndichakuda wega,
ndichakuchengetedza ndichimira newe pane
zvese zvichakunetsa uye ndakatsidza kuti
handife ndakakurwadzisa.” Mashoko ake
aimbondivhiringa ndakazomuti rimwe zuva
“inga wakanouya nemaresults wani tikaona
tese kuti hauna misikanzwa yawakaita? Ini
kana nyaya yataurwa ikanzi yapera shuwa
inenge yapera. Ndingazofunga kutiza nhasi iyo
nyaya yakagarirwa pasi nana baba namama
vakatosimuka kubva kuBulawayo vachisiya
mabasa avo? Ndini ndinenge
ndakutokanganisa, zvandakataura ndairevesa
asiwo ukazoita zvakare ayewa panenge
pasisina kutaurirana.” Zvakanaka paya munhu
aingonzwisisa ipapo muchitaura asi zviito
zvake zvakatoenda zvichiwedzera. Zvinotanga
zvichinakidza veduwe zvozosvika pakusvota
chaipo. Kuchengerwa sekuti ndiwe
wakamboita mhosva here kusvika pakuti kana
muri mumba ukasimuka uchienda kutoilet
munhu anoti “babie uri kuendepi?” Urimo
mutoilet aienderera mberi nekukutaurisa
achideedzera kusvika wabuda. Manje
dambudziko rakadaro hariperi kana
muchishanda pamwe chete zvakare. Kubasa
taive takushandisa office imwe chete
akangochinjisa zvinhu iye mazuva aigadzirwa
office yake payakapera haana kuzombotaura
zvekudzokera. Ndaizorora kana aita rwendo
rwekuenda kuSA asika aisafamba zvakanyanya
uyu naiwo mamachine ake aaive akuorder
online zvaitonetsa kuti aite mazuva maviri
chaiwo asipo pamba. Paaifambawo zvezuva
rimwe iroro ndaiswera nekurarira pafoni
achifona zvake mwana wekwaTimbai.
Waibvunzwa kubva kuchikafu chaunenge
wadya kuti change chichinaka here, hembe
dzaunenge wakapfeka kozoti mwana anenge
achinzi haasi kunetsa here. Ayewa-ayewa
vakadzi tinodisisa kudiwa kwazvo asi
tinodawo nguva yekufema. KuNATA ndaive
ndongoendera kuti baba vaChitimbe vanozoti
kudii asi moyo waive usisadi. Ndakatomboisa
matsamba ekutsvaka basa kune amwe
macompany and ndaive neluck henyu hapana
kwandisina kudeedzwa kuinterview asi
ndakarega nekuda kwechikonzero
chandareva. Pane amwe matambudziko
anonetsa kuenda nawo kuhama kunoti dai
magadziriswa. Wohurirwa nemurume
womhanya kunana mbuya nana tete
uchichema kana zvanaka wodzokerazve woti
akunyanya kundida unobva waita semunhu
asingazive zvaanoita. Takagara zvakangodaro
dzimwe nguva zvichinakidza dzimwewo nguva
ndichikuvarira mukati asi mazuva aitopindana.
Ndakazosvika pakuona advert yekuNigeria
ndikatotaura takagara tese tichiona tv kuti
ndaida kuedza luck. Haana kumboramba
henyu ndakaona munhu atsikitsira pafoni
yake anyerere izvo aitotsvaka madetails
akakwana kugoogle. Paakandipa foni yake
ndakaseka ndikati “aaa ndisiye zvangu ndange
ndichitamba ini vana vatatu vese ndichada
chikoro chei rega vana two vaitewo.”
Akapindura achindibata ruoko hanzi “I know
mai two kuti ndizvo zvaunoda hauna nguva
yekutamba nezvinhu zvakakosha kudai. Chero
ukati unoda kudzidza wachembera ndinokupa
support yangu yakwana.” Zvekuti ndaida
airevesa hake asi moyo waive usati
wanyatsoperera. Handina kana cent rangu
randakashandisa kuita zvese ndiye akandipa.
Chaizvo-chaizvo ini chandaishandira
ndichiisirwa mari muaccount ndaitochishaya
nekuti yake mari aindipa oti “tenga
zvaunoda.” Vana vangu ndaishuva kupinda
navo mushop vachisarudza hembe
ndichibhadhara. Mbuya vavo vaitenga kani
mongoziva mai Farai zvemucheno ndizvo
zvaive zvavo. Muroom mana two maitove
nemawardrobe two kotizve mamonarch
ehembe dzimwe dzaingopfekwa kamwe chete
padzinowachiwa dzikabuda colour
hadzichatodiwe. Pandakapedzisira kuenda
kuBulawayo vaiti vachatsvaka kune orphanage
voendesera vana vagobatsirika ikoko.
KuBulawayo kwandiri kutaura uku handina
kumbobvira ndaendawo ndega kubva
pakaitika nyaya dzaNatasha. Aiteverera baba
two zvimwe chete nekwedu kumba haiwa uku
ndiye aitove muridzi zvake dzimwe nguva
ndiye aitoronga zverwendo rwekuenda
kuMberengwa kwacho. Dai aizviita kana kuri
kumusha kwangu ndaiwana matauriro kuti
“sei uchinditeverera neniwo ndinodawo kuita
makuhwa namai vangu.” Mama mai Farai
vaizomugona manje kana tikaenda
kuBulawayo vaimudzinga voti “ndoda
kumboita makuhwa navamwene vangu.”
Chimwezve kuBulawayo aiti akasvika baba
vaishaya zvekuita kani vaizonyara chete
kumugarisa pamakumbo asi aitoitwa mwana
kudarika vana two naNatie.
Panyaya yekuNigeria zvese zvakafamba
zvakanaka sezvandareva zviya kuti ndaive
neluck hangu kwese kwandaiisa application
letter ndaipindurwa ini. Pasina nguva pakauya
e-mail message yaiti taidiwa kuNigeria
kwetwo weeks then taizotanga malessons
mid-March zvese zvaiitwa online.
Ndakapembera musi wacho kutotenga cake
handina kumuudza chokwadi baba two kuti
raive rei ndakangoti ndainzwa kurida. Cake iri
raive rekupemberera freedom yandaive
ndawana iyi. Two weeks dzese ndaimbozorora
pamwe ndaizodzoka nyama dzasuwa murume
veduwe ndonyatsomupa nezvitayera zvese.
Ndaive ndaneta nekungoti husiku ukasanduka
wakutonzi “huya babie ndikupe hope”
romance yototanga zvino naiyo nyaya yekunzi
murume haaudzwi kuti ndakaneta iyi ndaibva
ndangobvuma. Kubasa taiita futi kwete
mazuva ose hedu asi pane pazvaimbotikurira
tese. Aizonyanyawo kugeza baba two manje
aiziva matarisiro andaimuita kana ndichinzwa
kumuchiva ndipo paibva patangira nyaya
ipapo.
Iyi yekuNigeria ndiyo yakazondipedza hangu
musi wacho ndakapotsa padiki-diki kumuudza
zvaive mumoyo. Manheru tichidya
ndakangonzwa zvakunzi “ndaitoshaya kuti
tingamboenda out kupi babie zvatoita
zvakanaka two weeks hedu takazorora
ndichatotaura nadad.” Ndakakanuka
nekutodzipwa nechikafu ikave batai-batai
achindinwisa mvura. Handina kumbozodya ini
ndakangoti “ndaguta ini” iye akatosiyawo
chake chikafu akatevera kubedroom.
Paakapinda ndakati “aa ini izvi zvechikoro dai
ndarega zvandipfuurawo zvangu.”
Nigel: (achiuya kuzondibata mumaoko ake)
babie usadaro pane vari kutouda mukana
iwoyu vachiushaya. Tiri kutaura zvekuti kana
wapedza unokwanisa kutsvaka basa chero
kwawada in the world. Its your time babie to
shine usatendera fear….

Ini: kunongotyisa uko vanhu vanotaura


zvakawanda zvekuNigeria.

Ndiye akafonera mama nababa kuBulawayo


achivaudza kuti ndaive ndakuda kusiya
zvekuenda kuNigeria. Chokwadi changu
ndisingade kuhwanda ndechekuti ndaidawo
kusununguka. Ndaidawo kuve nenyaya itsva
dzekutaura mumba nemurume wangu. Iye
aifanirawo kuuya nezvitsva kwete
kungoudzana rudo narudo everyday.
Zvinonakidza sei kuparadzana kuseni murume
achienda kubasa kana kuti mese muchienda
kwakasiyana pamunodzoka manheru
munoudzana zvamunenge maona ikoko. Paya
ndisati ndakuenda kubasa taifonerana
masikati kana adzoka manheru chero akati
andisuwa yes zvainzwisisika. Ndichienda
kuchikoro futi ndaiwana zvekutaura naye uye
aitondipa nguva yekufurwa nemhepo nekuti
ndaidawo kuverenga. Vanhu vakawanda
vakandifonera vachindisimbisa kuti ndiende
kuNigeria. Hapana wandakakwanisa kuudza
kuti atsiure Nigel nekuti vese vaive vakutoziva
kuti taienda tese saka vaiti “unogotyei
murume anenge aripo pakaita zvinonetsa
unowana wekupanana naye mazano.” Havana
kuziva kuti ndiye aitove dambudziko hombe
ndaidawo kuita zvinhu zvangu ndega iye
ondibatsira kana ndabvunza chete.
Zvisinei hazvo mazuva akafamba ndikazviudza
kuti ndozvavepo chaingodiwa kuzvigamuchira.
Iye aifara kwazvo saka dai ndakada
kumurambidza aizorwadziwa zvakanyanya.
Sezvandareva pakutanga munhu akaita
misikanzwa anofunga kuti munhu wese
anoitawo misikanzwa. Vanhu vakadai ndivo
vanouraya vakadzi kana angoita manzwira
ekuti ari kufamba zvakashata haatombomirire
kubvunza kuti ichokwadi here kana
kuzvibatira. Musi watakatora leave kubasa
ndakaseka hangu naye ndikati “saka
takutosiya basa rakamira shuwa tichienda
kuNigeria here baba two?” Haiwawo kwaari
chero dai company yaisara yakavharwa
zvaitomuitira futi. Haana kumborwadziwa
akatopindura kuti “two weeks chete pedyo
apa towana pasina kana zvambokanganisika
plus ndaudza manager kuti kana pane
zvavanoda vanofonera kuBulawayo.”
Ndakagutsurira musoro kubvumirana
nezvaaitaura nekuti ndakatoona kuti ndini
ndaitove kumashure kwenguva iye aive
aronga akapedza. Pakati apa paiitika hapo
zvakasiyana-siyana kusanganisira nyaya
dzemuzukuru wedu Innoe. Aive aita
zvakanaka kutsvakira mama Mapanzure
(zvakatoramba kupera veduwe vaive tete
havo) muroora uye shamwari. Zvekurohwa
kwaakamboitwa ndaisada hangu kutaura
nezvazvo regai ndingoti takatenda mwari
nekumuchengetedza kwavakaita. Purity aive
musikana akatsetseka zvake handina
kumboona zvakashata paari saka
zvakatondirwadza zvekuti vanhu
vangabatsirana kuponda munhu
vachishandiswa nekuda mari chete.
Chandaiona pakati paInnoe naPurity
ndechekuti iyoyi nyaya yandaichema nayo
vaigona kuzotaura nezvayowo mune
ramangwana. Handisi kuti Innoe aizoita
misikanzwa yana Natasha sezvakaita sekuru
vake. Rudo chairwo ayewa rwaive rwakazara
muzukuru wangu aida musikana wake
pachena aisatombohwanda. Musi
waakambouya kumba kuzotiona Purity
ndakashaya mukana wekutaura naye pedu
tega vaive vabatana sekuru nemuzukuru
taitoita setaive kudate. Ini ndakaziva
zvakawanda pamusoro paNigel kupfurikidza
natete mai Nyahuni vaiti vakauya kumba
tichiri kuBelvedere vaindiudza zvaaifarira
kudya nezvaaifarira kupfeka. Ndaiendawo
kumba kwavo ndega toswera takasununguka
zvedu ndichibvunzawo zvandaisanzwisisa.
Kubika chaiko ndivana mbuya mai Tanya
vakandidzidzisa nekugeza zvese nemafuta
ekuzora chimwe chiiko maperfume aya
handicharevi. Innoe anga asina hanzvadzi isu
vana mbuya vake ndisu taitove nebasa
rekutaura nemukadzi wake manje iii kuda
zvaizochinja vave kugara vese havo. Mama
Mapanzure vakatobvunza pavakanzwa kuti
akambouya kumba kwangu vachida kuziva
kuti aifungei uye aidei muupenyu.
Ndakahwanda nekuti aive angouya nguva diki-
diki saka hapana zvakawanda zvatakataura.
Takasiya nyaya dzavo vaviri ava dzabudirira
nekuti akakwanisa kunobvisa mari Innoe
chaive chasara muchato watakaudzwa kuti
waizoveko muna April. Paive pedyo zvapo but
ndaisavatyira vanhu vekwaMapanzure
nevekwaChitimbe vaigona kuronga mitambo
mikuru ichibudirira zvakanaka. Chaiita kuti
hurongwa hwavo hubudirire kubatana
kwavaive nako uye vaive vasina kunyanya
kuwanda so shoko raingosvitsanwa-svitsanwa
hapana aisara achiti haana kuudzwa. Musi
watakatobva kunoroora wacho vana tete mai
Nyahuni vakatorara vaziviswa hurongwa
hwaivepo saka vaiti pataizodzoka isu
kuNigeria vaibva vatouyawo kuHarare kuzoita
muonera pamwe nevamwe. Ivo tete Felie
vaingoti vaive nenyaya yavaida kuzondiudza
ndaitonzwa moyo wekuti dai tasangana zvedu
timboseka. Ndakavakumbira kuti tisangane
kumba kwamaiguru mai Natie pataienda
vachibva vati zvaisaita nekuti pane kabasa
kavaive vawana kune imwe insurance
company. Vaishanda nemazuva havo kwete
full time asi vaiti kana mukana ukaita vaigona
kupinda vachimirira kuti zvavo zvisimuke.
Ndivo vamwe vaive vakafanana neni ava
zvekugara pamba chero uchiitirwa zvese
zvaitorema. Mukwasha hatidi kumunyepera
zvedu aivachengeta haana kubvira achinja
pane zvese zvaaiita kubva achiri kuAmerica.
Apa zvaive zvatove worse nekuti vabereki
vake havana kubvira vadzokaka paya
paakavatora dai vaisagarika navo tete
mainzwa dzave nyonga-nyonga dzemuroora
navamwene vake. Mapicture ataiona pastatus
patete waigutsikana wega kuti nhamo haina
kunaka shuwa vaive vachinja mai Nyahuni
nababa Nyahuni kupenya chaiko kuita jaya
nemhandara. Vaive vogara vakarukwa musoro
mai Nyahuni zvaiyevedza veduwe. Regai
nditomboita makuhwa hangu, nana mbuya
mai Tanya vachasara here? Kwaive kwatove
neumwe mwana wechitwo wamainini Tanya
kozoti nhumbu yavaiti ine five months
pamazuva andakavaona vauya kuzoona Purity
ari muchipatara. Mainini Tasha iii zvakamboda
kunetsa kwaSithole mwana wavo
aishungurudzwa sepamba paive nevana
vevanasikana vakawanda vaiti haafanire
kuberekwa nambuya. Vakazomuunza
kuHarare aigara nambuya mai Tanya sezvo ivo
vaienda kuchikoro. Taitotarisira kupedza
kwavo pakati pegore vograduater vomirira
kutsvaka basa. Kwamainini Tasha
kwakashanda rudo futi nekuti Smanga aimira
navo. Vana tete vaida kuvatsikirira kuti
vasaende kuchikoro asi vakavatadza.
Kweduwo kumba Tapiwa aive atove
mukomana wekuchando uyu panguva iyi
aitove kuNetherlands chaiko nazvo zvake
zvekumhanya nezvemabike izvi. Anga asati
aroora aingoti “mirai musandimhanyise pane
zvakawanda zvandinoda kutanga
ndagadzirisa.” Tadiwa aifanira kutanga
university yake aive atowana nzvimbo hake
asi hamheno kuti aizonodzidza kupi chaizvo.
KuNetherlands kwaive naTapiwa akanga
awana nzvimbo futi hamheno kumwe kwaaiti
akaiwana ko aitaurisa here uyu akangokura
akadaro. Chandaifarira ndechekuti
zvaaishuvira zvaizozadziswa akangokura achiti
aida kuzove doctor. Mainini vaiita zvakanaka
kuboarding school kwavaive chaive chakuda
kutityisa ibody aitoonekwa Loveness kuti aive
nemuviri muhombe kudarika wangu.
Taingorairira kasingaperi pese pataiwana
mukana wekutaura pafoni. Vabereki vangu
vaive vakutoverengwawo muraini vanhu
vaitobatsirika munguva yekunaya kwemvura
iyi vachinoita maricho kuti vararamise mhuri
dzavo. Aitove manyawi nekugutisa kwandaiita
uku kwekuchema-chema nekudiwa hangu
naNigel asi pachokwadi chaipo ndaishaya kuti
ndingamuitireiwo akandisumudza kwete
kubva muguruva asi kubva mumwena chaimo
akanondigadzika padenga-denga. Ndaive
ndawana nguva yekufunga hangu ndiri ndega
iye aive akarara Nigel pataive takwira kuenda
kuSA. Ndakangoona ndaisa ruoko paari
ndikatanga kumupuruzira. Irworwu rwendo
rwekuNigeria ndepapi pandaizotaura
zvekubudirira kwangu zita rake rikasara?
Takafamba hedu zvakanaka
tikanogamuchirwa nabamukuru baba Natie
vakanondisiya kumba hangu. Takawana
mukana wekutaura nasisi vangu nekuti Nigel
akaenda nabamukuru kubasa. Vaive
varemerwa maiguru mai Natie
ndakatovanzwisisa kuti sei vaive vasisakwanisi
kufamba kuuya kuZimbabwe pese paiungana
vanhu. Ipapa takawana vachichema-chema
nemabayo vaitoti muzuva raive rapfuura
vakatomboenda kuchipatara vachiti
vaonekwe kana mwana aive akagara
zvakanaka. Vakazondinakidza panyaya
yaInnoe hanzi Nashe aive avaudza kuti
aidanana naInnoe. Vanenge vaishaya kuti
votsiura Innoe sei mongoziva kana munhu ari
hama yako achiita zvakashata ukataura unonzi
une godo. Vanhu vakawanda vanochema
nana tete vanoitira vana vehanzvadzi utsinye
asi humwe hausi hutsinye vanenge
vachitotiwo vabudise chokwadi kuitira kuti
munhu apinde murudo achiziva. Vanhu
vanonyanya kutaura chokwadi kana ari
mukomana vachiudza musikana asi
vanotorikowo vasikana vane dambudziko.
Nashe ndaisaita zvekuudzwa hangu nezera
rake iroriya aisaziva mashoko ekutaura pane
vanhu uye aingove nekuzvitorera padenga
kusina basa. Kudzidza hakusi iko
kunokosheswa pamunhu unongomirirawo
kuti vanhu vazivisane vachitoti “iyeyu mukadzi
wamunoona ari kumona mabhodho parufu
apa ndidoctor” kwete kutoenda nedustcoat
rewhite kuti uzvishambadze. Zvekuchikoro
kwandaienda hatina kumbotaura zvakawanda
isu nekuti hapana aiziva zvaive mberi. Pamwe
pataizodzoka ndipo pandainge ndakukwanisa
kuvaudza mamiriro akwaive kwakaita,
macourses aiitwa amwe asiri angu andaida
ini. Ivo vanenge vaive vakuda kudzokera
kumashure pane zvekuve pharmacist nekuti
vakati “ko ndikatsvaka munhu akaita course
yacho ongorunner hake ini ndichishanda
samanager?” Ini ndaifunga kuti panyaya
yekuenda kuchikoro taive tadarika
tikabvumirana kuti pavaipona ndipo
pavaizotanga? Ndaitaureiwo kana ndimiwo
henyu pamwe nabamukuru vaive
vatowirirana saka vaingozoita zvavaiona
zvaive zvakavanakira. Takataura zvakawanda
zvekumusha vachibvunza ndichivapa
mhinduro pane zvandaiziva hangu. Nyaya
dzedu dzakapera pakadzoka vakomana
vekwaChitimbe ava. Maiguru nabamukuru
vaivengana zvekutadza kuhwandisa ruvengo
rwavo pane vaenzi. Nhumbu yemukoma
wangu yaitaurisa zvino bamukuru
vakangogaraka vari munhu anotaura saka
vaipedzerana. Isu taiseka hedu,
musanyeperwa kuti nhumbu inozviregerera
kana usina kumbosangana nazvo unongoti
“handizivi kwete kupikisa.” Nigel aifarirwa
chero pataive kuZimbabwe vaigara
vachimufonera ini ndotoita zvekupindira kuti
ndoda kutaura navo sezvo vaifona kazhinji tiri
pamwe. Two days dzatakagara kuSA tairara tiri
muroom medu tichitaura nyaya, Nigel
akatoudzwa kuti “imbondipawo mainini
tionane veduwe nguva yanga yareba.” Vairara
havo kune imwe room vana Nigel
nabamukuru ndakatozonzwa Nigel akuti
bamukuru vaichema-chema kuti mai Natie
vaipinda kubedroom kana vachida ivo. Vaiti
kana vapedza mutambo vaitonogeza muviri
wese vachiti vanonzwa kunhuhwira.
Chandakada hangu pana bamukuru
ndechekuti vainzwisisa umwe wavo dai vaive
munhu ane moyo mupfupi vaibuda
kunoraramira kunze.
Takazodarikira zvedu nerwendo paive pasisina
zvekutsamwa kuti ndatevererwa ndaive
ndakuona sekuti aive atogona Nigel
nekundiperekedza kwaakaita. Kubva mundege
yatakakwira waisanzwa chimwe chirudzi vaive
maNigerians pachavo vaidzokera kunoshanya
nekuona mhuri kumusha. Kamweya
katakangogara tinako kekuti vanotyisa kaya
zvechokwadi ukave pakati pavo hana
haigadzikani. Ini ndaitoti vakanditaudza
ndainyepera kuita sendisina kunzwa asi ava
baba vaive vakajaira zvekuenda kunze
kwenyika vaitoita sevachatsvaka mashamwari.
Ndakaita sendichapupura kwaari kuti
ndaisada aende neni nekuti ndaive ndakuona
kukosha kwake. Takasvika hedu zvakanaka
palodge pataienda paive pedyo neairport
maybe zvetwenty kilometres chete then
pacampus paifambika netsoka uchibva
palodge. Ndizvo zvakaita tichinje ndege
yekuenda nayo vanhu vatakabvunza
mafambiro vakatitsanangurira nemazvo
vachitoti kuburukira kune imwe town
uchienda kune imwe especially uri foreigner
kuri risk.
Rwendo rwaunoenda uchinyunyuta kazhinji
runocreater mamemories ausingafe
wakakanganwa. Yakaita sehoneymoon iyi
yatakaenda nekuti kuchikoro hapana
zvakawanda zvataiita. Chero dai vakatumira
mamessage vachitipa mitemo zvaingoita futi.
Chinangwa chihombe chaive chekutsiudza
nezvemascammer aidyira vanhu mari. Zvaive
zvisingaitwe nevanhu vekure but malecturer
iwayo pane vamwe vaitonzi vakasungwa
nazvo. Vaitumira vanhu mamessage ekuti
vaise mari vachinyepa kuti pane macourse
anenge awedzerwa. Vamwewo vainzi kana
vakupedza vabise mari dzekuti university
ivatsvakire mabasa. Mari yavo yaikwidzwa
pagore poga-poga uye paitove nemanumber
avaiti anoshandiswa chete kana pane anenge
atumirwa nenumber isiri yavakatipa aifanira
kureporter nekukasira. Takadzidziswa zvekuti
online learning inoitwa sei paitove netime
table yaizotevedzwa zuva rimwe nerimwe.
Taingoita three hours per day totodzokera
kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzataigara.
Ndakaona kuti palodge pataive paigarawo
vakomana vaviri vaibva kuSA. Handina
kumbotaura navo ndakangoona neflag dzavo
kuti ndiko kwavaibva asi vaionekwa kuti
vanozvitorera pamusoro havana kumboisa
effort yekundimhoresa sezvo taibva
kuSouthen region tese. Isu taive nezvekuita
kana ndadzoka, futi ndikati ndadzoka
ndinenge ndichinyepa aiuya Nigel
kuzondimirira kana aona three hours
dzakukwana. Ndaimboziva here kuti kugara
mega zvenyu musina mwana anonetsa paside
kunonakidza kudaro. Taive takuda kutozviita
chembere tichideedzana nemazita evana
kutoshaya mukana wekudaidzana kuti Nigel
naLaiza. Vaitiona tichifamba vaitoti pamwe
taive tichangobva kuroorana. Izvi
zvakandidzidzisa kuti ndaifanira kutosimba
nekudzivirira kuita pamwe pamuviri murume
wangu aida nguva neni tisina zvinotikanganisa
saizvozvi. Ndakazoona kuti sei ndaiona sekuti
Nigel anondinetsa inyaya yekuti taiti
tichipedza kuita mutambo pamwe mwana
otomukawo akuda mukaka kana kuti
kuchinjwa pamper. Weekend yatakaita tiriko
ndiyo yakanyatsondinakidza handifungi kuti
ndaizofa ndakakanganwa zuva iri. Yaive
Saturday ndaisaenda kuchikoro so ndakamuka
ndikaendesa hembe dzedu kulaundry sezvo
taiitirwa zvese palodge ipapo. Pandakadzoka
kuroom kwedu ndakawana Nigel abuda
handina kumutsvaka akatozouya achiti aive
abuda time yakauya vasikana vaicleaner.
Takaenda kunogeza zvakanaka haana
kumbondibata kusvika tapedza tikadzoka
tikapfeka mashort edu nemat-shirt ewhite
musi uyu kwaive naniwo pakuti kwakamuka
kusinganayi asi kwaive nemakore. Takabuda
tichitenderera kuona nzvimbo tichiitira
kufambisa nguva yebreakfast. Pataifamba
pese maoko edu aive akabatana. Pataimira
ndaimbundirwa ari kumashure kwangu ouyisa
muromo wake tombokisana hedu. Mvura
yakangotanga kunaya from nowhere pataive
paive pedyo nemakomo saka yakatowedzera
zvekuti taigona kunyorova. Akandibereka
kumusana akamhanya kuroom kwedu
akasvika achikiya door nemukati.
Paakandiburutsa akatotevera pabed ari
pamusoro ndokundibata matama akaisawo
maoko angu pamatama ake kiss ikatsva.
Yaisave yekufungidzira iya yekuti malips
anosangana zvopera asi taitosvetana mate
mukanwa rurimi rweumwe neumwe
ruchinoita mop mukanwa meumwe. Iyi manje
yakaipa chero mafeelings ange ari kuoff
anotodzoka kuduty with immediate effect.
Ndakangoita manzwira eknock ndofunga
ndeve breakfast ava vaida kunetsa asi
nepandaive ndakangoti vaizodzoka kana
tapedza zvataive tatanga. Mwana
wekwaChitimbe aigona hake kundiudza
mashoko erudo ndaibva ndanzwa kupera
simba. Ndakanyatsonzwa kuti kuzasi kwake
kwaipirwa pataikisana so ndakadzikisa ruoko
ndikanodzvanya kutodenha hangu
nekumuratidza kuti ndaida neniwo ndaive
ndakututuma muto wegavakava kuzasi
kwangu. Akayuwira zvikanzi “Laiza my
loveee….” Achiruma miromo ndikaziva kuti
ndizvo zvaaida. Ndakafukurwa t-shirt
akasimudzira bra mazamu ese achisara panze
ndikanzwa akunwiwa achichinjaniswa.
Ndakasimudzira chipfuva ndokuti “dad Nai
aaa…” Akandibata kumusana zvakasimba
ndakangosimudza chipfuva akatanga
kukwizira chipfuva chake pane changu uku
achisveta nzeve yangu. Ndakatanga kudhonza
t-shirt yake ndaive ndisisadi kuramba
ndichimubatira muhembe ini. Akabvisa
nekukasira ndikamuvhura zip ndokupinza
ruoko kunobata mabag andaidira kuti
ainyatsozara muruoko mangu. Akavhurawo
zip yeshort rangu akapinza maoko ake ese
achinodzvanya magadziko ese.
Ndakanyatsonzwa kabhora kemuto
wegavakava kakabuda kuzasi luck ndaive
nepant liner otherwise ndaikanganisirwa
pakati pepant nemuto uya unoita seacid.
Mabviro aakazoita mashort nemapant
handina kumanzwisisa ini ndakangoona
tashama tese. Akandirarisa pabed ndokuuya
kumakumbo kwangu kuita sanyamukuta
amirira kugashira mwana. Makumbo angu
aive akamira mudenga ndakavhura chaiko kuti
bherengende akabva atanga kutamba neni
ikoko ko matoy aivekoka yaisave playground
yenzara-nzara. Ndoshaya kuti vaya
vanochema kuti murume haana binyi vanenge
vachinyatsodei chaizvo? Ndakafambiwa
nechigunwe ndikabudisa rurimi seimbwa
yamhanyisa kuri kunakirwa. Ainyatsorova
mativi ese achisanganisa ozopedzisira
nekumboenda mberi wanei ini ndakutamba
kongonya yandakadzidziswa gore riya nagogo
vangu kurwizi. Takachinja marariro iye pasi ini
pamusoro asi ndaive ndakaisa musoro pakati
pemakumbo ake ndikatanga kutambisa
mushina wake. Aive amira kuti dziii zvine
simba uchiona tumisodzi shungu tuchibuda
ikoko kwazvakarehwa. Aichema-chema Nigel
akabva andifungisa makare-kare
pataimbowana nguva yekunyatsoita bonde
nemazvo tisingamhanyi. Ko zvinodawo
nguvaka izvi kana maswera makazorora
pamba motombozadzisa zvido zvenyama
nekuti iyoyi ndiyo marriage chaiyo kwete
dzekunyeperana vanhu vachiita husimbe
vachihwanda nevana. Romance ikanyatsoitwa
chaiko panozopindiwa pamutambo makumbo
anonyatsotatamuka serekeni uchimavhura
kumupa mukana nekuti the more you open
the more yaanosvikawo mberi. Akauya hake
iye kuti atange basa ndikamuvhurira chaiko
ndikatsinzinira achipinda zvishoma
nezvishoma ndichinzwa kukweshera
nemadziro. Aive akura baba two zviya
zvekungodongorera nekutopera basa zvaive
zvisisanyanyisi. Ndaitoziva kuti akaera apinda
ayewa anoita basa nemazvo so ndakamupa
mukana akaisa maoko kumusana kwangu
ndokundisunga chaiko sendabatwa neshato.
Pakashandwa ziya kudeuka nekwainaya ikoko
apa taiita noise isiri yekuzviitisa asi kana
wanakirwa zvinokutuma zvega.
Ndakazomushandura ndikatasva bhiza ndiri ini
apa aindiziva hake kuti akaona ndatora
position iyoyo ndomupedza muto wese.
Ndaive ndazviguma kare izvi chero hedu taiita
everyday pataive kuZimbabwe nekubasa-
nekubasa asi taingoita manyautsa mukanwa.
Ukaguta hauwani nguva yekugeza
ndakangobatwa nehope ndiri pamusoro
ndichipuruzirwa kubva mumusoro kusvika
kumusana. Ndakarara sekacheche kani
kutozomuka ndichinanairwa nekaruva kaive
kakabatwa naNigel apa aive atogeza zvake.
Ndakangosimuka ndakananga kunogeza
pandakadzoka ndipo pandakawana breakfast
yauya.
Zuva iri rakanditorera mukombe zvaro
wekunakirwa chero zvedu takazopedza week
tichidanana asi takatadza kusvika pane izvi.
Takawana nguva yekuita shopping yedu
tichitengera vana nevabereki vedu zvinhu
zvekuti vagotigamuchira takabatawo. Ini
ndaitoti kana tasvika kuZimbabwe
ndonomhanya kuBulawayo kunoona mwana
wangu wandaive ndasiisa mukaka veduwe
pane dzimwe nguva dzandaimufunga
zvakanyanya. Nigel aisapikisa ndaishamisika
achiseka but hapana chaisetsa panyaya
yekuenda kuBulawayo ndakangoti pamwe
aifunga kunondirega ndichienda ndega.
Pandakazonyanya kusvotwa naye ndemusi
watakadzoka ndichiti tidarike tichiona
maiguru mai Natie. Akarambisisa kani
pekutanga aingoti “tagarisa tisiri kumba
zvekumira munzira hazviite.” Ndakatsamwa ini
ndikati “unoenda hako kumba kana usingadi
kuvaona unobhowa iwe.” Ndaive
ndatotsamwa akabva ataura kuti vana
bamukuru namaiguru vaisaveko vaive vaenda
kuChina. Nekutsamwa kwandaive ndaita
ndakanyara kani ndikapedzisira ndakukumbira
ruregerero haana kumbobatikana nazvo.
Takagara tataura naInnoe kuti azotigamuchira
but takasvika asipo ndikange ndakutoda
kutsvaka tax uyu Nigel aingoita
zvisinganzwisisike. Aigona kungotsikitsira
pafoni yake achiseka ukataura naye aiita
seasinganzwi. Ndakapedzisira ndisisatauri
naye ini ndikasumuka kuti ndinotsvaka tax
akabva adeedzera “dzoga mai two uyo Innoe
asvika.” Ndakashamisika ndichiona ana
bamukuru baba Natie shuwa munhu aiti vaive
kuChina dzimwe nhema dzachoka
dzaizonyanya. Chandaive ndakuda kuenda
kumba chete ndinozorora ndakatomboramba
zvekuenda kuvenue kwaitaurwa naInnoe but
vakavimbisa kuti tainokurumidza kubvako.
Kwaive kwakanaka uku dzimba dzaive
dzakavakwa pedyo nelodge iri dzaionekwa
kuti ndedzevanhu vane mari dzavo. Kutaura
chokwadi hapana chakambouya mupfungwa
dzangu ndakatoyemura kuti muzukuru aive
agona kusarudza. Yaive nzvimbo yakakura
yekuti waigona kukoka vanhu vakawanda.
Pandakaona vana mama vangu, mama mai
Farai nagogo ndakangoshamisika hangu
kunyanya pana mama mai Farai nekuti
mazuva ese taitaura zvekuenda kuBulawayo
iye Nigel achiziva hake kuti aive avadeedza
kuHarare. Vana mama ndaiti ndovaona
pakuenda kuBulawayo senguva yekurima
ndaitya kuvasiisa basa ravo vachiuya
kuHarare. Takamhanyirana paya achingove
“madzokoyi, makafamba zvakanaka here,
kwaive sei ikoko?” Ndakaona
takutungamirirwa kupinda mukati apa
ndaifunga kuti vanhu ava zvatakawana
vachibva kuseri vaive vatopedza kuona.
Mukati ndimo mandakanopotsa ndadonha
ndikagamhiwa namama Mapanzure
vandaifamba navo vakandibata ruoko.
Kungowana mukati mune zibanner
rakaturikwa rakanyorwa kuti “welcome to Mai
two lodge.” Paive nemufananidzo wangu
wandakatorwa musi wegraduation kacap kari
mumusoro ndakabuda runako rwangu rwese.
Haana kunonoka kutaura Nigel akabva
atoenda mberi akati “ndizvo zvataunganira
izvi hama dzangu. Nerwendo rwatakafamba
nemukadzi wangu ndinoshaya mashoko
ekumutenda nawo chero ipapa ndinoona
zvisingaenderani kutoedzawo. Mai two
mudzimai wangu bata neapa ndizvo zvidiki
zvandakwanisa kukuitira.” Mapaper aive
naInnoe akamatora akanenekedzera kwandiri
but ndakatadza kumatambira. Maoko
aibvunda nekuchema kwandaiita veduwe
zvandakaitirwa naNigel muupenyu hwangu
zvaive zvakawandisa. Rwaive ruchiri rudo here
urwu rwega kana kuti vanhu vaizofungira
zvakawanda. Ndaisakwanisa ini kugamuchira
dai akati hake ndezvedu tese zvainzwisisika.
Ndakabva ndarangarira mapaper
andakamboona mumba aitaura zvelodge
izvozvi but pandaive ndakutora mabirth
certificate evana aidiwa namama
ndakamashaya ndikangoti pamwe aive
azosiyana nazvo. Vanhu vakaedza
kundinyengerera kuti ndigashire asi
ndakazotaura namama Mapanzure kuti
ndaida kutanga ndagadzikana. Pakuenda
kumba ndakagara namama Mapanzure
nagogo ndikafamba ndichirairwa kuti chipo
chabva kumurume hachirambiwi. Hazvirevi
kuti ndaive ndaramba asi ndaida kutanga
ndataura naye Nigel tiri two surprise yake
yaive yakakurisa iyi veduwe. Takanosvika
kumba tikaungana mudining ndichibva
ndabatsirwa nagogo namama Mapanzure
kutenda ndichigashira mapaper angu asi
misodzi yaingoyerera. Zvaive pachena kuti
akashandisa mari yaaitengesa mamachine ake
kuvaka nekuti yaibva kuNATA ndaipiwa yese
ndongonzi “tenga zvaunoda.” Business rake iri
airidisisa zvakanyanya but honai nekuda
kwerudo aitoshanda zvakaomarara kuti aitire
ini. Lodge iri raive rakangofanana nemidziyo
yangu yechidzimai yekuti kana ndaizonzi
ndafa zvese zvaitorwa nehama dzangu. Ndipo
pamwe paindichemedza ipapo ini dai akaisa
zita rakewo hake. Takakwazisana hedu
nevanhu vese vaivepo ini ndaingokwiridzira
madzihwa shungu dzaive dzakawandisa.
Pakazotaurwa kuti muzukuru ndipo paaida
kuitira muchato wake ndikati paive pasina
chaipa. Vaida kubhadhara ndikaramba ini
ndipo pakanakira kuve nezvinhu zvakakwana
mumhuri zvinobatsira panguva dzakadai
pasina kutanga mamboshainirwa nevanhu
vanenge vane zvinhu zvavo. Baba vaChitimbe
vaifara kani hanzi “zvipatara zviripo, fertilizer
takuita sarura ude nhasi tikabva kuBulawayo
tisingadi kutsvaira mumba tinonorara
kulodge.” Mari yangu yandaive nayo
muaccount yakabva yatowana basa ndaifanira
kushongedza maroom epalodge aya muchato
usati wasvika. Zvekuvhurwa kwayo for
business taizozviona nekufamba kwenguva.
Airambak achiwedzera mamarks Nigel kuna
gogo wainzwa chero tanetsana vachiti
“muzukuru hatikurudziri kushingirira
kunetswa nemurume asi zvimwe tarisawo kuti
murume uyu akakosha zvakadii muupenyu
hwako. Tine vakadzi vakagara mudzimba umu
vachishingirira marriage yezita vari ivo
vanoshandira mhuri pamwe nemurume iyeye
kuti adye nekupfeka asi vanoti chikuru
asingandirovi handisiye musha wangu.”

End of chapter 8

Love you guys


CHAPTER 9

*Purity*

Kuteerera vakuru vachitaura kwakanaka


vamwe vacho vanenge vachikuudza
zvakamboitika muupenyu saka apa vanenge
vachiona kuti ukagara wabuda pachena
mamwe matambudziko anodziviririka. Nyaya
yedu yekuoffice iya naInnoe yaingoda
kutaurirana nekubudirana pachena zvinova
zvatakaita tichibatsirwa nambuya mai Munya
zvinhu zvese zvichibva zvapinda mugwara. Ini
ndaitove nepfungwa yekuti zvikaramba
zvichienderera ndoudza mama asi mbuya
vakaramba vachiti “hazvisi zvese zvinoitwa
nemukwasha zvinoudzwa ambuya. Vamwe
vanotukana nemagara moyo emashoko
vomhanya kunoudza hama dzavo mashoko
aya anenge ataurika mukutsamwa.
Pamunogadzirisana hamuzokwanisi kutevera
umwe neumwe muchibvisa mashoko aya
zvinobva zvakonzera ruvengo. Unonzwa sei
iwe kana Mapanzure akati nyaya diki atoudza
amai vake handiti unoona sekuti vakupindira
mumarriage yenyu.” Havana kutombozviziva
mama zvekukuvara kwangu takaiita pfimbi
yemumoyo. Pamba nyaya hombe yaisadokesa
zuva isina kutaurwa ndeye muchato.
Zvaingondiitira fun hangu pamwe
zvaizonyatsomaker sense zuva racho rasvika.
Vanhu ndivo vaisimbirira zvekuti Innoe aive
ave murume wangu asi pamaonero angu
paive pasati pave nemusiyano. Paauya kumba
ndaingoona Innoe uya wakare maybe
zvakanyanya kukonzerwa nekuti aive asisaite
zvemisikanzwa ari pandiri. Ruoko chairwo
rwangu airuremekedza taingoperera
pakukwazisana no kiss, no hug mazuva
achitofamba zvakadaro. Zvese zvavaironga
kumba kwavo maringe nemuchato aindiudza
changu kwaingove kubvumira sekuti chero dai
ndakanzi ndibatsire ndaiiseiwo zvangu
patable? Mapicture emagown angu aive auya
taive tamirira kuuya kwevazukuru vaiti vaida
kumbopedzisa kutenga zvinhu zvaidiwa zvese
pamuchato. Magown acho ndakapa kutenda
kani wega waiona kuti mari yabuda
yakawanda nekuda kwekunaka kwaaive
akaita. Paive neoption yekuHire iyi yaive
cheaper compared to kutenga ndakatomboti
dai aita izvozvo asi akaramba Innoe. Reason
yekutenga hanzi “unochengeta tozoratidza
vana vedu.” It was fun handiti vaingozoona
mapicture here maybe ndiko kuvaviwa nemari
kwacho. Bhutsu handina kunzwa nezvadzo
mama vakavimbisa kuti vaizonditsvakira.
Innoe aive atokwanisa kuunganidza vakomana
vese vaizomuperekedza pamuchato. Ini
ndaidzoserwa kumashure nenyaya dzechikoro
vamwe vacho vaidzidza ndaitomirira kuti
vavhare vagouya. Munin’ina wambuya mai
two aizouya zvakare kana ndatanga ndataura
navo.
Zvatakazoitwa kuchurch kwedu manje
zvakaoma, seiko vamwe vanhu vachihwanda
neshoko ramwari asi mumoyo vaine utsinye?
Mama vainetseka nenyaya yevenue yekuitira
muchato so vaifunga kuti vakataurawo
kuchurch kwedu zvaigona kuderedza macost.
Mari yaive yabviswa naInnoe panguva iyi
yekugadzirira muchato yaive yakawandisa
henyu neni ndaitombodemba kuti dai
takangoita zvekubatanidzwa kuchurch.
Magown angu chete ari two ndakapa kutenda
shuwa regai varume vachizouraya vakadzi
kana vahurirwa anenge achifunga mari
dzaanenge abudisa mumarriage iyoyo. Musi
waakandiratidza mapicture emareceipts
ekubhadhara kwaaive aita akabva atonditi
ndimubatsire kusarudza masuit aaive
atumirwa mapicture nevazukuru vake kuti
asarudze. Chindiudzai paidiwa futi maring
kozoti hembe dzevaperekedzi aiti vakomana
vese vekuside kwake vaive vatomupa masize.
Ndosaka ndaive ndatsigira pfungwa yamama
yekuti zvese zviitirwe kuchurch ende paive
pasina chakaipa michato mizhinji yaiitwa
ikoko uye paive nespace yakakura. Mama
vakati vaizoenda kuChina vonotaura namai
Mufundisi kuitira kuti chigove chiziviso
paSunday yaitevera. Ini ndaive ndatoudza
Innoe kuti Sunday ndaigona kusabatika nekuti
aive andiudza kuti vana mbuya mai two
vaizodzoka musi weSaturday achiitira kuti
ndigoenda kunovaona panyaya yambuya
vadiki Loveness. Zvakanaka paya mama
vakazvipira kurovha kubasa vakaenda asi
vakadzoka vachitadza kufema nekuda
kwemashoko avakaudzwa. Vakangotanga
nekuridza tsamwa vachizvikanda pasofa
takabva tatarisana nambuya ndikatofunga kuti
pamwe vaive vandiona ndakamira naInnoe
pagate.

Mai Munya: zvadiizve vatete mukwasha


wenyu abva pano manje-manje.

Mama: (vakatura befu) ndaona mota


ndikaiziva kungoti ndabva nekumusoro uko
saka hatina kusangana ndangoona kuti mota
iyoo yange yatodarika pamai Musara. Ndiri
kutobhowekana namai Mufundisi nhasi
vanditsika apa chaipo (vachibata muhuro).
Mai Munya: ko chii?

Mama: taita china chedu zvakanaka kukanzi


vanhu vakaronga neSunday kuti
vamboappreciater mai mufundisi semadzimai.
Vamwe vauya nemari, zvekupfeka, zvekudya
nemidziyo yemumba. Ini handina kumboti
ndaisaziva ndabva ndaita transfer muaccount.
Tose tinoziva kuti kudzidzisa, kuyananisa
nekuchengeta mufundisi ndiro basa ravo
ndosaka tichivapa mari dzedu. Ndazokumbira
kuvaona ndikadana umwe wemadzimai ari
mucommittee vachibva vati tinotaura tiri
kuoffice. Ndavaudza zvekuroorwa kwako
Purity ndikakumbira kuti vazivise mufundisi
kuitira kuti sangano rese rigoudzwa neSunday.
Mai vayaka kana riri godo ndofunga rakakura
kupfuura gomo. Havana kana kuti makoroto
vafinyamisa kumeso vakati ndomuziva here
mukomana wacho ndewe muno musangano
here?

Mai Munya: ko hanzi vemusangano ndivo


vanei?

Mama: zvinani wani vanenge vanga vagara


vakandimaka havo. Ndaudzwa zvese
zvemisikanzwa yaPaida, nhai-nhai ndepapi
pandaizoenda kunomira mberi kwekereke
ndichitaura kuti mwana wangu anohura? Ini
ndaiti havana kuuya kuzondiona ndichirwara
nekuda kwekuti vaive vasingazivi izvo vaiziva
zvavo asi vakatorambidza mamwe madzimai
kuuya. Ndanzi munozoyeuka kuti kune vanhu
vemuchurch kana makuda rubatsiro kana
zvakanaka munenge muri zii. Veduwe
ndabatikana handina kana chituku-tuku
chandakambopiwa nechurch ini. Inhamo
ngani dzinoitika ndichibudisa mari yangu
muhomwe kuti chitunha chitakurwe kana
vanhu vachida kunoita burial kumusha? Uya
musikana akafa achipona handiti hama dzake
dzaive dzamuramwa tikabatanidza mari kuti
varipwe? Hembe chaidzo dzinoonekera
dzavanopfeka mai vaya ndini ndinotenga asi
nhasi vondiudza kusagona kutsiura vana
ndabatikana zvisingaite. Hanzi mukomana
wacho kana asiri wemuchurch imi
makatomugamuchira saka isu tokwana papi?

Ini: vanoda kuita zvavakaita paya


pamukomana waFaith handiti vakatozotadza
kuroorana?

Mama: pane angamirira mashura iwayo


ekunzi toda kuona mari yaunayo muhomwe,
basa raunoshanda nepay slip, mari yekuita
muchato kozoti yaunosara nayo yekuchengeta
mukadzi kana mave kugara mese.

Mai Munya: yuwii dzobvepi pay slip


nemamiriro akaita zvinhu kudai handiti
vazhinji vakurarama nekurima, mabhindauko
ekutengesa kana kunochera kwavanenge
vanzwa kune gold nediamond.
Mama: kana usati wazviitirwa unoona sekuti
zviri right asi nhasi vandigura kunorira.
Mukomana nemusikana havadanani nekuda
kwemari asi rudo imi vakuru movakurudzira
kushanda nesimba kuti vavake upenyu hwavo.
Vangani shuwa vana vanotiziswa muchurch
muya tongozoona vakutodaidzwa kuti mai
nhingi asi ini ndanzi ndaifanira kusimuka
(vachirovanisa maoko) heede satan
anokuyedza shuwa. Kunzi simuka utaure
muchurch kuti mwana aihura akamitiswa
ndokuenda nemukomana asina kana kubvisa
tsvakirai kuno? Munhu mukuru ave
nevazukuru anotaura kudaro kukwana here
kwamai vaya ndiri kurwadziwa kuti handina
kuvapindura ini?

Mai Munya: siyanai navo ndeimwe miyedzo


iyi.

Ini: chokwadi mama vasiyei vakadaro inga


Innoe akataura wani kuti venue yakanzi
ichatsvakwa nasekuru baba two kana vadzoka
kuNigeria.

Mama: izvozvo ndakazvinzwa hangu asika


ndange ndichiti ivo mufundisi ndivo
vokubatanidzai uye vanhu vekuchurch
vovepowo pamuchato wacho. Ndatoona kuti
havadi kuti murume wavo ataurwe naye
nekuti vazoti ndosvitsa sei mashura akadai
kumurume wangu? Handidi kubatanidzirwa
kuti ndaiziva zvinyaya zvenyu zvematakanana
izvi. Pavanenge vachida mari dzedu vanonzi
ndibaba vedu tese asi kana tave nezvichemo
vosimudza mapendekete hee murume wangu.
Seiko vanhu vane varume vachiona sekuti
vakatopedza nhamo dzese haiwawo
ndasvotwa ini.

Takapedzisira taseka ini nambuya shuwa


mama kutoita bp yezvinhu zvisina basa
izvozvo here? Pakachata mbuya mai Natie
hatina kumbonzwa zvekuti mufundisi
wekuchurch kwavo ndiye aizovabatanidza
inga mamarriage officer anobhadharwa
akangozara wani? Ndakatovaudza kuti
vasatumire message kuchurch kwacho zvipere
zvakadaro. Vakazoti vaizodeedza mashamwari
avo aimbovadeedzawo uye pane vakauya
kuzovaona pavairwara nenyaya dzaPaida.
Ndaivaona hangu mai Mufundisi vaive
nekuzvitorera pamusoro, vaive munhu
asingasvikike. Pane mumwe musi wavakarasa
muromo zvavo vachiparidza hanzi “kuve mai
Mufundisi zvinoreva kuti malevels edu
akasiyana.” Vanhu vakamhanyira kuseka-seka
asi ndakatoona kuti nyaya yavo yaive
yakatonanga mudondo. Shoko ratinoziva isu
nderekuti tese takasikwa takafanana
nemuenzaniso waJesu. Hazvinei uri muromo
kana mupfumi, wakanaka kana kushata
mumaziso evenyama asi pana mwari hapana
chinotisiyanisa.
Kubva musi weChina uyu Innoe handina
kumuona taingotaura hedu pafoni kazhinji
achindipa update yezvemuchato izvozvi.
Saturday akazofona masikati achiti vana baba
two vaive vadzoka saka muzuva raitevera
taifanira kuenda kuti ndinoona kwavaive
vatitsvakira venue. Ndakaudza mama
nambuya vakafara kwazvo handina kuziva kuti
nyaya iyi yaitovashaisa hope. Zvimwe
tinongozviomesera zvedu ko akati matent
akadzikwa payard muchato haubudirire
ndiani?
Ndaitika taizoenda tiri two naInnoe kutaura
chokwadi aive akundiomesera ndaisaziva kuti
aifungei. Aindipa punishment muchinyararire
hake nekuti kubva paya pakaitika noise
yekuoffice kwake haana kuzodazve kundiona
tiri pedu tega. Mbuya vaimboedza kusimuka
kuti vabude kana auya asi aivarambidza. Ipapa
akatoti ndivaudze kuti taizoenda navo kana
kuri kwekuti vaive busy taizoronga rimwe
zuva. Iii ndakatadza kana kupindura pafoni
hamuoni kuti zvaive zvanyanya here izvi?
Haana kuzomirira kuti ndivaudze mbuya
akavafonera vakataurirana ndokuudzana
nguva yaaizouya. Ndakambofunga kunyepa
kuti ndairwara asauye kwacho nekuti hapana
zvazvaibatsira aimi kuita seunodanana
nabrother vekuchurch here? Handina
kuramba kugumiwa-gumiwa ini paaimboita
zvekubvuta izvozvo ndainovaraidzika chose
ndave ndega muroom mangu. Message
yaakazotumira ndiyo yakaita ndirege
kumuudza kuti ndairwara. Aiti taizodarika
tichiona mbuya mai two totaura navo
nezvamainini Loveness. Zvaibva zvareruka futi
nekuti akati mama vavo nambuya vavo
vaiveko kuBelvedere. Ndaida kuti vazogara
ikoko kwambuya mai two nekuti mumazuva
aizotevera kwedu kumba kwaizonge
kwakazara vanhu. Tete vedu vaiuyawo vakati
mwana wavo haangazogari achiitiswa zvinhu
zvavasingazivi saka vaida kuzvionera. Kusaziva
veduwe hutori urwere chii chavaitarisira kuti
chingaitwe pamwana wavo nekuti kwaingove
kuzodzidzira masteps chete? Waive muromo
wekuhwanda nawo asi chokwadi chaicho
chaive chekuti zvemutown vaizvida tete
vangu. Time dzandakataura naInnoe ndaive
muroom mangu ndichiita basa rangu
rekuchikoro. Mama vakazouya vakuenda
kunorara vakati “zvandafonerwa namai
Mufundisi hanzi ndisarega kuuya kuchurch
mangwana.”

Ini: vakudei futi?

Mama: hamheno handina kumbobvunza ini


asi ndangovati ndouya kana kuri kwekuti
ndapedza zvandinenge ndichiita.

Ini: haa mama maidei mangoti mune rwendo


ch…

Mama: haiwa ndovaremekedza chose asi


vakada kundiitira sevanofema mweya wegold
toburana. Vange vachingoseka-seka pafoni
sebenzi hamheno zvavakazofunga vave kumba
kwavo.

Ndizvo zvavaive mai Pue vaitsamwa kana vada


zvavo ndosaka makaona paya panyaya
dzaInnoe ndaigara ndakapeta muswe.
Takaonekana vakaenda kunorara musi uyu
havana kumboita zvavaisiita amwe mazuva
kuuya kuzotandara neni vaitozobuda
ndachema-chema kuti ndakuda kurara. Mama
vaiita sekuti kuenda kwangu kwaMapanzure
ndiko kwaizove kupedzisira kuonana.
Zvaindinakidza hangu ndaitofanira kuvada
vachiri vapenyu vamwe vanozodemba nguva
yavanenge vatambisa yekufara nevabereki
vavo kana vafa.
Kuseni takamuka tichigadzirira hedu sevanhu
vaida kubuda. Sekuru baba Munya vakati
vaizoenda namama kuchurch hanzi “ini
handinyari kutaura vakanoda kuita
madhisinyongoro ndovaudzisa.” Vakatonwa
mabhotoro maviri edoro hanzi ekubvisa
nyadzi. Vekuchurch vakatanga kubuda isu
tikasara tichiisirwa message naInnoe kuti aive
akusvika. Taiti aive ogaka izvo vaive
vakawanda sekuru baba Natie, sekuru baba
two, mbuya mai two, Takue, iye Innoe
neumwe mukomana waaiti sekuru handina
kuziva hangu kuti ainzi ani. Kuve muroora
kwakaoma veduwe ndakapfugama paroad
ndichikwazisa vaenzi vedu ava. Ndizvo
zvandakaudzwa nambuya mai Munya kuti
ndaitofanira kuremekedza vana sekuru
vaInnoe nekuti vaive vana mai vake. Sekuru
baba Natie vakatanga vandipa two hundred
rand hanzi “handimhorese muroora wangu
ndisina chandakabata.” Mota yavakauya nayo
yaive seven sitter takabva taita zvekumakombi
kumanikidzirana tikakwana hedu. Isu
vanhukadzi takagara kuback ndichibva
ndatoudza mbuya mai two nyaya yangu.
Vanenge vaive vatoudzwa nekuti vakati vaive
vatotaura namama vavo kuti achingovhara
kuchikoro Loveness ainosiya mabag kumba
otokwira the following day kuuya kuHarare.
Ndakabvunza zvekuNigeria kwavaive vaenda
vakati zvese zvakafamba zvakanaka.
Dzaingove nyaya dzekufambisa mota
vanhurume vacho vaiti vakanzwa taseka
vaicheuka kuratidza kuti nyaya dzedu
vaitodzidawo. Kwatakaenda uku yaitove first
time yangu kukuona Harare yaingovakwa
ichienda nakuenda dambudziko nderekuti
kwavaibva vachivaka vaizokanganwa
kukugadzirisa kana paine paita makomba.
Kwaingove kuona nemeso ayewa
ndakabvuma kuti pane vanhu vaive nemari
dzavo havo seiyeyu muridzi weapa aive abata
basa guru chaizvo. Zvemusi uyu Innoe
akazonyanya henyu haana kana kundideedza
kuti ataure neni tiri pedu tega. Baba Natie
ndivo vakaita zvemutemo vachipira mbuya
mai Munya zvataive tafambira.

Baba Natie: pamusoro mbuya kkk ndizvoka


ndagona shona yedu iyi?

Mai Munya: kkk ndizvo chaizvo kunonzi


pamusoroi.

Baba Natie: ndipo patawana apa kuti tizoitira


mutambo. Pachiri patsva zvapo but nemazuva
asara tinovimbisa kuti zvese zvinenge
zvanaka.

Mai Munya: ayewa handioni chakaipa ini


vazukuru pakanaka apa uye kunze kwetown
kusina noise. Pakakura zvakare ayewa
tinotenda basa racho riri kufamba zvaro
takungoti mwari varambe vanesu kusvika basa
guru rabatwa.

Takambonwa hedu madrinks vaive vauya


vakagadzirira zvese nenyama dzakagochiwa
kuti tiwane kutandara. Takaswerako ini
ndichimanikidzira kuve nemufaro asi mumoyo
maive neronda. Innoe aive asisandide uyu
ndaimutarisa hangu akavarairwa zvese
zvaaimboita kare zvekusabvisa ziso pandiri
zvaive zvapera. Vanhu vaitodanana zvekuita
sekuti ndivo vaida kuchata ndimbuya mai two
nababa two. Hatina kunopinda mumba
kuBelvedere pataida kunoona vana mama
vamai two nekuti patakasvika pagate
takaudzwa kuti vaive vaenda kwaMapanzure.
Takanosiiwa kumba pagate apa taive
taperekedzwa nemukomana uya wandisina
kuziva kuti aive ani. Mbuya
vakatozomubvunza tave munzira akati aive
mwana wemunin’ina wambuya mai Farai.
Iniwo kuda istress yaive yakutonga
ndakamuona mhani pamuchato wababa Natie
uyu kungoti apa anga achinja akutoita
semukomana wechikuru. Chindiudzaiwo kuti
paive nerudo here apa shuwa Innoe kusara
hake akagara isu tichiendeswa kumba asipo.
Wekuudza zvaindinetsa ndaive ndisina nekuti
mbuya havana zvavakambotaura nezvazvo
kureva kuti vaisaona kuipa kwazvo.
Takanowana vekuchurch vadzoka vachiti vaive
vataurirana nesangano kuti vaizouya
kumuchato wangu.

Mama: mai mufundisi kunyara kani nhasi


ndazonzi makorokoto ndozvakanaka zvaitwa
naPurity vadiki ava vanowana kutevera gwara
rakanaka. Ndangotenda ndikazvinyararira
hangu hamheno zvave kwauri kuti unoda here
kuenda kunodzidziswa zvemba ini ndange
ndati uri kuenda kuchikoro nguva chaiyo
hapana.

Ndakaridza tsamwa ndichisumuka zvinyaya


zvamai Mufundisi ndaive ndisina basa nazvo
ini mumoyo maitove nezvikuru zvaindiremera.
Ndakasiya ndanyepa kuti ndainoita zvechikoro
muroom mangu ndichiitira kuti pasawane
aizonditevera. Ndakanzwa mbuya vobvunza
kuti sekuru vaive kupi mama vakati vaive
vavasiya pamashops epedyo vachinwa havo
doro. Kungopinda kwandakaita muroom
mangu misodzi yakayerera ndikakiya door
ndokumhanyira kuzvikanda pabed.
Vakawanda vatainzwa vaisiiwa musi
wemuchato nekuda kwekuti mukomana
anenge asisadi asi omboedza kuzvishingisa
zvoramba. Rudo runoonekwa kani kuti apa
rwawedzera kana kuti rwatapudzika. Kuri kare
kwake Innoe aidei akatofona achibvunza kuti
taive tafamba zvakanaka here. Hamhenowo
aingoita zvaaifunga ndaive ndisina
kumumanikidza ini kuti abvise mari yake.
Handina kuzomuona kubva apa takangogara
mazuva mashoma-shoma akatumira message
kuti vaienda kumusha kwana Rhoda
kumarooro. Handina kubvunza kuti vainogara
mazuva mangani ndakangoti “okay mufambe
mushe.” Hamheno zvaaive akuda kutaura asi
akazoti “oohh pane ari kufona pafoni yebasa
tozotaura babie bye.” Kare aiti akafona
ndaibuda tumisodzi twekunyerekedzwa
ndosara ndakatsinzinira ndichiita semunhu
ainanairwa nemasvosve mumuviri wese.
Mazuva aya zvaive zvachinja zvachose
ndaitorohwa nehana ndichiti pamwe
ndichaudzwa kuti handichakudi.
Zvakadaro kuchikoro ndaienda hangu taive
takugadzirira kuvhara saka basa racho raive
rakawandisa. Vana Innoe vakadzoka kumusha
tikangotaura pafoni haana kuuya kumba
kuzondiona. Takagara two days akatumira
message kuti vazukuru vake vekuAmerica
vaive vauya. Vakasvika day before
rataizovhara so ndaitarisira kuti pandaizobva
kuchikoro pamwe aizoita kuti ndisangane
navo. Paive nezvakawanda zvandaida kwavari
ndivoka vaiuya nemagown angu kotizve
sevanhu vandaitaura navo zvakanyanya pafoni
yaive yasvika nguva yekuti tionane. Kuseni
ndichigadzirira kuenda kuchikoro kuti
tinovhara Innoe akatumira message akati
“ndokumbirawo ugoperekedzwa nadriver
kwambuya mai two. Ndataura nambuya mai
Munya vati vanokwanisa kuenda newe saka
kana wangopedza kuchikoro munodarika
muchinovatora.” Nyaya dzedu dzaisaenda
kure ndaiudzwa kuti babie pakumhoresana
nekuonekana pafoni chete saka ndaitoshaya
kuti ndodiiwo kuti ndiwane mukana
wekutaura naye nguva refu. Ndakaudza
mbuya zvandaive ndaudzwa naInnoe vakati
paive pasina chakaipa saka takangobva
kuchikoro tikadarika tichivatora pagate
ndokuenda. Takawana mai two vari vega
kumba kwavo vachiti Innoe nababa two vaive
vaenda kuSA. Vazukuru vaya vakangosiya
zvinhu zvavakabva nazvo ndokumuka
vachidarikira kumusha kunoona hama
vaizodzoka vakugadzirira zvemuchato. Nhaimi
Innoe kana kumbotaura zvekuti akuenda kuSA
asi nguva yese iyi aiita seachandiudza kuti
ndichamboenda kutoilet. Ndakabatikana
ndikatadza kuhwandisa shungu dzandaive
nadzo ini. Mai two vakanotora magown kuti
ndiedze tione aikwana acho ndakabva
ndaramba ndakagara ndakatarisa pasi.

Mai Munya: zvadiizve Pue wangoti undundu


ipapo?

Ini: (misodzi ichibuda) handioni sezvinoita ini


mbuya Innoe wacho haachanzwisisiki uyu.

Hasha dzinowedzera mhani kana uchitaura


zvinhu uri serious ivo vanhu voseka vachikuita
benzi.

Mai Munya: ko adii hake muzukuru wangu


makatukana here?

Ini: ndogotaurei imi muchiseka zvinoreva kuti


hamuzvinzwisisi.

Mai two: (vachiedza kuzvishingisa kuti


vasaramba vachiseka) hanzii muzukuru wangu
tiudze tigadzirise nyaya pachine nguva?

Ini: aaa pamwe maonero angu hangu asi


akungoita zvisinganzwisisiki Innoe wacho.
Ndakutofunga kuti pamwe akungoti zviitwe
zvemuchato zvidarike izvi.

Mai Munya: zvauri kutaura izvozvi ndizvo zviri


kumunetsawo murume wako.
Akatombobvunza kuti saka vanhu vakuti
ndisaone Purity kuti zvidii ndikamuudza kuti
ndiwo mutemo wacho vanhu havaonani
kusvika zuva remuchato. Usafungira zvisina
basa hako kungoti iye munhurume ane
ushingi asi pese paanotaura nezvazvo
anoratidza kurwadziwa.
Mai two: inga rudo rune simba chokwadi
munozviona here kuti aonda muzukuru
wangu, chii uri kufungei?

Ndaitadza nei kuonda veduwe idzo pfungwa


dzaigara dzakaremerwa. Kuchikoro chaiko
handina kutombobuda zvakanaka
sezvandaiita kare. Ndakazoyedza hembe
dzacho ndikatoona kuti size diki ndiyo
yaitokwana kureva kuti mai two vaive vaona
chokwadi. Zvino vanhu zvavaiti kutanga imba
kunoondesa ndaizosara musoro chete
pandainogara kwaMapanzure. Pahembe
dzakauya idzi paive neshangu dzacho mapair
maviri ekupfeka nemadress angu.
Ndakashamisika kani vanhu ava
vakanyatsotenga size yangu chaiyo apa
manakiro adzo veduwe ndakaita kupererwa
chaiko. Zvino ndaibvunza ani hangu iye Innoe
ainetsa kutaura naye kudai ndakangotenda
tikarongedza dzaive dzaramba kukwana
dzacho mai two vakati vaizonodzitumira
muzuva raitevera racho pavaizonogashira
mainini Loveness. Takambotandara hedu navo
mai two nekuti vaive vavimbisa kuti
vaizotiperekedza kumba. Driver watakauya
naye aive atoenda rake basa aive atoita
rakapfurikdza nekuti aifanira kungondisiya
kuchikoro nekudzoka neni chete. Zvisinei
ndakambonzwa kurerukirwa nekuswera
kwatakaita kwamai two vakatozotiperekedza
takumhanyira kuti tigonoonawo zvekubika.
Ndakashamisika tichiwana vana dad vauya
nemhuri dzavo. Ko mazuva zvaaive atofamba
nhai-nhai weekend yataive takatarisana nayo
ndiyo yaizove yekupedzisira kureva kuti
yaizotevera ndipo paive nemuchato.
Kuungana kwevanhu kwakadai kwakakosha
pakuti zvese zvaunenge uchimboona sezviroto
zvinobva zvatanga kuenda zvishoma
nezvishoma zvichimaker sense. Paivek
pasisina pekuhwanda napo nguva
yekunotanga upenyu naInnoe yaive yasebera.
Mashoko akataurwa nambuya mai Munya
nambuya mai two pataive kumba kwavo
akandinyevenutsa moyo izvo zvakandipa kuti
ndizvishingise kufonera Innoe wangu
ndichimubvunza kuti aive afamba zvakanaka
here? Zvimwe zvinhu zvatinoona sezvisina
basa momboziva here kuti zvakaosha kwazvo?
Innoe akafara paakanzwa voice rangu
akatozotaura mashoko akandibata-bata henyu
ko zvataingofungirana zvakaipa mumoyo
nekuda kwekusagona kuudzana zvinenge
zvichitirwadza tichikuvarira mukati
nefungidziro.

End of chapter 9

Love you guys


CHAPTER 10

*Innocent*

Mbuya mai two vaiyema havo ndiro rimwe


side randaishuvira iyi kungoyemerwa munhu
achivimba kuti ndiwe unomunyaradza
zvinongoita uve on. Vana mama nana gogo
vakaedza kuvanyaradza tikaona sekuru
voenda pavaive vakavabata maoko ese
vakatarisana. Hatina kunzwa hedu zvavaitaura
asi vakagutsurira musoro kuratidza
kubvumirana nezvavaiudzwa. Zvino wangu
uyu aiti kana matadza kuwirirana chaiko
aitiza. Ndakamboseka kwete nekuda
kwezvaiitwa nambuya mai two asi ndaive
ndafunga speed yaPurity musi uya waakabva
kubasa kwangu. Zvakaoma kani raive film
chairo kunyanya ukazofunga kuti aitiza nei
zvinobva zvaita fun. Zviri pachenaka kuti aitiza
nepakati pemakumbo asi dai ndakamubvunza
kuti aitizei aigona kushaya mhinduro
yekundipa. Pamaonero angu zvangu ungati
mitemo inonyanya kuomeswa kana munhu
wabvisa mari yekuroora. Tiri mukomana
nemusikana Purity ndaimuona chero
pandadira ndichinomutora kuchikoro toswera
tese. Paakarwara paya ndaiswera naye
kuchipatara pasina anombotaura zvemutemo
zvisina basa izvi. Zvino apa kwaive kwakunzi
“hamuonani penyu mega, hee mirirai
muchato.” Muchato uyu ndakaureva kunana
dad vake ndichiudawo nekuti chinangwa
changu kwaive kuitira mumwe wangu
zvakanaka. Muchato unorongwa kubva pane
zvamunoda kupfeka, chikafu chamuchapa
vanhu nekuti vakadzokera nenzara vanoti
“muchato waInnoe naPurity wange usina
kurongeka.” Masongs chaiwo anoridzwa
pamuchato ndeamunenge matenderana
zvichienderana nekuti munofarira api. Chero
amwe zvawo akabva kuna dj asika unomboita
manyawi wokumbira kuti uridzirwe song
yakanangana nemudiwa wako uchimuudza
mashoko erudo anenge ari pamoyo. Kiss
chaiyo hapana pamungangotangirirana
pamuchato munotomboita tumapractice
musango. Apa manje ndipo pakakosha
pemavowes mashoko anenge achifanira
kuzotibatsira mune ramangwana. Zvese
izvozvo zvaisakwanisika kuitwa nekuti
ndezvimwe zvinoda kutaurwa muri penyu
mega vanhu vongozonzwa zvichivanakidza
musi wezuva guru. Kuzvifungisisaka
kwaitondivhiringa ini nekuti ndaiitiswa zvinhu
zvandaive ndisingadi ndochokwadi chaicho.
Ndonzi nditsvake zvekuita zvekuti ndive busy
ichingori way yekundisebedza kure nemukadzi
wangu. Ndaive munhu anonzwisisa,
anoremekedza vanhu vakuru uye zvizhinji
zvandaiita ndaiitira mama vangu nekuti
mufaro wavo waireva zvakawanda kwandiri.
Dai pasina izvozvo ndaidei ndakatodzimisa
muchato day iro riya ratakanetsana kubasa
kwangu. Purity aive neproblem yekusataura
zvaanoda waitobvunza pamwe pacho
ongobvuma uchitoona kuti hazvisi izvo zviri
mupfungwa dzake. Rudo harudi kuita
seunomanikidzira semazuva ano aya ekuti
munoshandisa mafoni aigona kungotumira
message zvake totaura kana kuri kwekuti
ainyara kundiudza takatarisana. Hembe
dzandakatenga handina kumbomuona
akadzipfeka asi ndaitoti ndichienda kumba
kwavo kunomuona ndaitanga ndafona kuti
azive kuti ndiri munzira. Size yebhutsu chaiyo
ndakaudzwa nambuya mai Munya iye ndaive
ndamubvunza akangoti “aa unoda kudii” asi
aiziva kuti taigadzirira muchato. Vakadzi ndivo
vanopa varume moyo wakashata nekuti
zvaunoita uri musikana zvinopa kuti munhu
atarisire zvihombe pauri. Ukaratidza kuve
holy-holy tototiwo muviri ngauve holy, ehezve
ini ndaizviratidzira hangu kuti pakati ndopada
ndizvo zvimwe zvaitotumira message kuti
ndaisave jaya hangu. Uyu wangu airamba
kubatwa ruoko chairwo kureva kuti zviito
zvake zvaindipa kutarisirawo kuwana
akakwana. Ndoziva kuti ndichitanga kudanana
naye ndaiti chero ndikawana akaziva
zvakawanda hangu yaisave mhosva ndaimuda
akadaro asi apa kana taive tisati tagarirwa
matare nevakuruka zvaizoitika. Zvese izvi
zvaiitika achindiomesera ndaizozvitaura chete
ndichipa zvikonzero zvekuti ndosaka
ndaimuremekedza.
Sezvo ndakanzi ndigare ndiri busy ndakatora
nguva yangu ndichifambira kuti kuvenue
kwataive tawana uku kwambuya mai two
kugadzirwe zvakanaka. Vakanga vati
toshandisa mahara zvedu chedu kwaive kuita
décor zvichienderana nezvaidiwa naplanner
wedu. Wedding planner iyeye aitove
necompany ine zvese zvakakwana vakangouya
tikavaratidza nzvimbo vakagutsikana. Isu
kwedu kwaive kutenga chete zvaidiwa nekuti
zvimwe zvacho zvaitozosara saka taifanira
kuita zvinhu zvakasimba. Taishanda zvekuti
dzimwe nguva ndaishaya nguva yekubata foni.
Mazuva aive afamba ndochokwadi chaicho
chaivepo ndakatoona kuti kuronga muchato
mukati memwedzi mumwe chete kunorema
chero ukave nemari zvako. Dad namama
vangu handidi zvangu kutaura zvakawanda
pamusoro pavo asi vaishingirira kutadza
kurara chaiko vachibatsiridza kuti zvinhu zvese
zvirongeke. Mama vakatomboenda kuSA
nekuChina pamazuva aive pakati vachinotora
zvaive zvanzi zvaidiwa nadesigner wedu.
Ndaida kuenda ini vakati “kwete zvimwe
zvacho zvinotoda munhukadzi anenge
achiziva mikoto yazvinowanikwa.” Ukuwo
kumusha kwana Rhoda vaive vakamirirwa
sezvo zuva rekubvisirwa kwake raive
rakusvika. Ndaitaura naye zvangu pafoni achiti
aive right chaaive akungoda kuti zviitwe
zvidarike agouya kuzomirira muchato wangu
ari kuHarare.
Vana sisi vake vaivimbisawo kuti vaizosvika
mumazuva aitevera uye zvese zvandaive
ndavarairira vaiti vaive vatenga. Maring,
hembe dzangu nedzevakomana
vaizoperekedza muchato koti magown aPurity
neshangu dzacho sezvo ndakanga
ndavatumira size pandakapiwa nambuya mai
Munya. Vakazowedzera hembe dzataizopfeka
takuenda kuhoneymoon nedress
ravaizoshandisa design yaro kutsvakira
mabride maids maoutfits avo. Ikoku kuside
kwaPurity ndiko kwaive kwakutotidzosera
kumashure nekuti vasikana vacho vese
hapana akanga avepo. Aingoti zvaizoita kana
vavhara chikoro apa aizovhara futi kwasara
one week kuti muchato wacho uitwe. Zvizhinji
ndaitoronga nambuya mai Munya zvaPurity
zvaida moyo murefu taizoonawo tave kugara
tese kuti aizochinja here? Kuchinja zvako
hakunetsi kana munhu achida panonetsa
ndepekuti kana achipikisa zvaunenge
wamuudza.
Takaenda kumusha kwana Rhoda vana mama
nadad vakashamisika vachiona tichisvika
manheru ndina sekuru Nigel. Taive tapedza
isu zvekugadzirira muchato kubasa ndaive
ndisisaendi saka kuswera ndakagara pamba
kwaindiwanzira pfungwa. Akafara Rhoda
paakationa akabva atotiudza kuti aishaya kuti
oudzawo ani zvaive pamoyo pake. Airemerwa
kwazvo zvekuti akatombochema
ndikamuudza kuti aifanira kuisa zvese kuna
mwari. Bamunini vake vepamba paaigara apa
ndivo vekumboti vaida mombe three first
vasati vatomboita list rekuroora. Ukuwo
kumusha kwemukomana wake aiti vabereki
vacho vaiti musikana akamboenda kunze
kwenyika haaite kuroora vaida musikana
akakurira kumusha anoziva tsika. Mukomana
wake aimuda hake akatoti vabereki vaifanira
kuvepo pakuvapa support kwete kuzovaudza
zvekuita. Ndiyoka nyaya yakambonetsa
yamama Felie iyi murume wavo achivada
chose asi akatombosvika pakukurirwa
akaenda kuside rehama dzake. Handina
kumbomuvanzira ndakamuudza kuti
aitofanira kusimba chaiko nekuti mukufamba
kwenguva aigona kutombozoremerwa chaiko.
Patakasvika hedu hapana chakaipa
chatakaona takagamuchirwa zvakanaka uye
vanhu vaive vakatoungana vachimirira kuti
zuva ravaida iri risvike. Takarara tikamuka
tichimirira kusvika kwevakwasha avo vakauya
vakagadzira chaiko nemari yese yavaive
vaudzwa kuti yaidiwa kuti vagokwanisa
kunobatanidzwa kuchurch sezvavakareva.
Vabereki vemukomana havana kuuya, paive
nabamunini nemudzimai wavo, sekuru
hanzvadzi yaamai vemukomana nambuya
vanova mudzimai wasekuru ava kozoti
munin’ina wemurume nehanzvadzi yacho aive
nemwana kumusana. Ndakawana nguva
yekutaura nemurume wacho sevanhu
vaizivana zvedu kubva tiri kuAmerica. Aiti
nyaya dzevabereki vake ndidzo
dzakamutadzisa kuuya kuzoona mama vasati
vaenda kunoonekera naRhoda. Vakataurisana
mashoko kusvika pakuti iye akavati “kana
maramba mukadzi wandinoda zivai kuti
neniwo mandiramba handife ndakadzoka
pano.” Vakabvuma kuti aroore Rhoda
zvekungoti vangadii nekuti iye muzukuru uyu
ndiye aivaitira zvese saka vaidawo
kuchengetwa. Kusauya kuzoroora hanzi vakati
bamunini namainini ndivo vaimira panzvimbo
yavo. Ipapa aitoti aitya kuti Rhoda akagara
nguva refu kumusha kwake zvaigona
kukonzeresa matambudziko akawanda so
musi wavaizobatanidzwa kuchurch ndiwo
wavaisumuka zvakare vachitodzokera
kuAmerica vakunotanga upenyu hwavo
pamwe. Mubvunzo wangu waive wekuti sei
vabereki vachiwana hushingi hwekuudzira
mwana mukomana kana musikana munhu
wekuroorwa naye? Mubereki anenge aona
tsika dzemwana wake here kana kuti vamwe
vanoda munhu akapusa wavanokwanisa
kucontroller? Vanenge vatarisa body here kuti
vakafitana ava kana kuti vanotoimaginer vana
vari pabonde, chii chaizvo chaiitika
ndaitoshaya mhinduro ini? Ndiani aizokwanisa
kubetsera vasingazive nekuvaudza kuti tsika,
runako, mutauro, kudzidza, kuzivana
nekugarisana hakusi iko kunovaka rudo.
Ungamanikidza mwana wako kuti apinde
murudo nekuti musikana akakura uchiona
zvine musoro here izvozvo? Vabereki
ngavazive kuti vakangopindira chete pakati
perudo rwevana vanenge vachitovarwadzisa.
Ukazonzwa mwana wako akutukwa
mangwana nemuroora kuti “ndosaka une
vabereki vasingafunge” unoti muroora haana
tsika uchikanganwa kuti ndiwe unenge
watanga kuzvishambadza hubenzi hwako.
Chandakangoda zvangu pavari ndechekuti
vaidanana havana kutendera mashoko
evabereki kuti apinde pakati pavo. Vese vaive
vakatarisana nekurema hazvirevi kuti vana
bamunini vaRhoda zvavakabvuma
kumuroodza godo ravo raive rapera. Mari
vakareva chaiko yekuti handifungi kuti pavana
vavo vese pane akambobvisirwa zvakadaro.
Dad ndivo vaive vakamirira kuti vapiwe mari
dzaamai sezvo zvichinzi imwe shona
ikasateedzerwa zvinokonzeresa
matambudziko kumwana. Handingati dad
vaiita zvemutemo chete vaitofanira kuida mari
yacho nemoyo wese nekuti kufara kwavo
vachiigashira ndiko kwaizove kufara
kwehanzvadzi yavo. Mari payakanga
yaunganidzwa vakwasha vaenda pakabuda
shoko rekuti “ko vaMapanzure mari vanoyidii
ivo vagara vanayo?” Mashoko iwayo haana
kutifadza tese zvedu dad vakatoti
“ndingabudisa mari yakawanda kudarika
yabviswa pano kana pane anoda kubetserwa
awirwa nedambudziko asi iyi pane
yakanangana neni handidi zvangu kunzwa kuti
yashota chero necent chairo.” Ndakaona
hangu kuti pavakabvuma vanhu ava vaifunga
kuti dad vachavepo kubatsira kureva pfuma
then vongovati vatore vadye zvavo yese. Dad
vakaenda vakagadzirira list yavo baba
vaRhoda vaive vakangosheedzera chete
nekupinda mumusha. Vakapiwa mari dzaamai
dzese ndokuzoreva zvaive palist yaamai vake
mari yese ikapera. Vakasara nemari
dzematare chete neimwe yavakapiwa
yezvavaive vabvisa zvekudya nezvekunwa. Ichi
chakave chidzidzo kuhama kunyanya dzana
baba kuti kana vana vashaikirwa nevabereki
gamuchirai mutoro wacho nekuti hazvichinje
kuti iropa renyu. Chinozonetsa manje vazhinji
vanoda kuzoziva zveropa izvi kana yave mari.
Vana vakawanda vanonorerwa kwana sekuru
kunozvarwa amai vopiwa upenyu hwakanaka
sekuendeswa kuchikoro votsvakirwa mabasa
ndipo panobudikira hama dzababa dzakutaura
mashoko akaita sekuti “munoroyiwa,
munotambura kana mukasanogara kudzinza
renyu” kuri kuedza kuba moyo yevana ava.
Chandaiziva hangu panyaya yaRhoda iyi
ndechekuti chero dai vana bamunini vake
vaive vabvumirwa kudya mari yese zvayo asi
paaizoita dambudziko munhu aizomubatsira
ndidad.
Zvisinei hazvo chatakafarira kuti zvaive
zvadarika izvi taimirira zvaizotevera totangira
ipapo.
Takadzokera kuHarare, musi watakasvika
vazukuru vangu vakatumira message vachiti
vaive vawana malodge two pane avakanga
vatumira message vachitsvaka nzvimbo
yehoneymoon. Waitoapplier paine nguva
wobooker nekuti vaiwandirwa. Vaive vatoedza
nzvimbo five dzese kumwe kwese vaiudzwa
kuti pamazuva acho andaida kwaive kutori
fully booked. Yaive shuviro yangu kuti
ndinoita week yese naPurity tiri kuAmerica
ndichimuratidza nzvimbo dzakasiyana-siyana.
Taizoita mazuva mangani kusvikako kureva
kuti taigona kurara munzira tove mumarooms
akasiyana sezvo iye aingokoshesa kuti zuva
nenzvimbo yatabvumirana ndiyo yaaida.
Nezvaakaita paya kuoffice taigona kuzorora
muSA wotiwoka uchitanga munhu obva aridza
mhere kuti ndakubatwa chibharo. Pane
yekuhoneymoon iyi akazvikanyira ega hake
ndakatoudza vazukuru kuti vasiyane nazvo
taizoenda hedu kure kwese uko kana akuziva
zvaaida chaizvo. Ndakatotaura nasekuru Farai
vakati kuSA ndaigona kuwana pakanaka asi
nekuda kwemazuva aive asara mashoma
zvaitoda kuti ndiendeko pachangu ini.
Takagara two days vazukuru vakauya
tikanovagamuchira zvakanaka ndokuenda
navo kumba. Ndakagutsikana zvinhu
zvavakauya nazvo zvaive zvakanakisa
kutodarika zvataiona pamapicture. Vakataura
kuti vaida kumbomhanya kunoona vamwe
nekutora vana vavo vongozogarira kuHarare
vakamirira muchato. Ndivo zvakare vaizoita
zvemake-up nezvimwewo zvavaitaura
zverunako ko isu taimboziva mazita acho here
ndakangoti “mugadzire mukadzi wangu
zvakanaka kwete kuzoita jealous.” Takasiyira
mbuya mai two hembe dzaPurity tikati
vagotumira masize ehembe dzevasikana
vaizoperekedza muchato sezvo dress
resample raive rauya tainotsvaka kuSA.
Takatopiwa web page nevazukuru vachiti shop
yacho yaiveko kuSA taigona kunoita zveonline
tobhadhara then tozonocollecter. Sekuru
Nigel vakanyanya kufambira zvimwe zvinhu
zvedecoration zvaive zvatengwa nambuya mai
two online. Vanhu vacho vakati zvaitoda two
months kuti zviuyiswe kuZimbabwe nekuti
mota yavaishandisa ye courier yaimirira kuti
itange yawana maparcel akawanda. Ndakaita
misikanzwa zvangu handina kumboudza
Purity kuti ndakuenda kuSA. Ndaimuudzirei
munhu wandaingoziva kuti mhinduro yake
yaive yekuti “hoo” ukatonzwa atoti “ufambe
mushe” wotoziva kuti anenge atotaura
zvakawandisa. Munhu aitadza kurairirawo kuti
“undivirewo chakati nechakati” wonotengawo
uchiisa pachipfuva uchinakidzwa kuti uri
kutengerawo munhu waunoda. Ndakaseka
ndakufonerwa nambuya mai two vachiti
Purity aichema asi akatanga paakanzwa
zvekuti ndaive ndaenda kuSA. Ndakavati
“musiyei akadaro mbuya anoti ini
ndisingachemi handina misodzi here?”

Mai Two: iii usadaro muzukuru asi


makanetsana here? Aderera muviri
zvakanyanya please kana pane zviri kunetsa
gadzirisanai hatidi zvakadaro isu nhai-nhai.
Ini: ndiye anotove nemhosva haaise effort
zvake ukamufonera anongodaira zvaunenge
wabvunza chete pamwe achazojaira hake
auya kumba.

Mai Two: hazvisi nyore izvi muzukuru tese-


tese takabva nako unotozojairawo nekufamba
kwenguva. Wakutomuomesera hazvirevi kuti
haakude hona akuchema kureva kuti mumoyo
make ari kurwadziwa.

Ini: (ndakaseka) Purity here mbuya


mungatotemwa nemusoro, mutore mapicture
kana apfeka hembe dzacho mundiratidze.

Mai Two: mapicture handikupe hangu


haubvimirwe kumuona akapfeka gown
kusvika zuva remuchato rakwana.

Ini: matangawo nemi zvese-zvese zvinongonzi


muchato kureva here kuti ndiwo wakakosha
kudarika ini?

Havana kundipindura vakangoseka havo


vachibva vadimbura call yavo. Moyo
wakamborwadza nezvainzi Purity aichema asi
ndaigodii hangu waigona kutomufonera orega
kudaira futi.
Akazofona iye Purity ndikadaira zviri rude
hangu ndakanyatsoti “uri kudei?”
Purity: ii nhaiwe sorry hako kana ndafona
usingadi ndange ndichida kutobvunza kuti
wafamba mushe here kuenda kuSA?

Ini: sorry hako phone yacho haisi kuratidza


zita iri kungoratidza number chete.

Purity: umm asi pane umwe munhu


anosimbokufonera hako?

Ini: (ndakasekerera raive godoka iri) handina


kudaro babie usandiudza kuti watotsamwa
ipapa?

Purity: ndichitsamwei hangu handiti


ndazvijaira here?

Ini: wajairei?

Purity: zvaunoita izvozvo hauchauyi


kuzondiona apa wakuenda kuSA futi usina
kumbotaura hako.

Ini: sorry hako ndangofunga kuti hazvina basa


handina …

Purity: hazvina basa kwauri hako ko ukaita


accident vanhu vondibvunza ndoti ndange
ndisingazive nhaiwe.

Ini: uri kutaura chokwadi ipapo sorry hako


ndakanganisa. Ndinomboona uchiti ndikati
ndakuenda kwakati unongoti hoo so ndangoti
pamwe hazvina basa newe.

Purity: zvinoreva kuti unongondifungira sei


usina kundibvunza kana usingazvide.

Ini: kutaura chokwadi Purity zvese zvaunoita


unongoita seusingadi ndinotosvika pakutya
kutaura zvimwe ndichiti unozoti hauchade.

Purity: ichokwadi saka chandareva hangu


chekuti unondifungira zvakawanda-wanda.

Ini: kwete shaar handifungire asiwo ndenge


ndichiona zvaunoita kana ndataura
zvandinoda kwauri. Haugoni kuburitsa zviri
pamoyo pako unokuvarira mukati handizivi
kuti unenge uchida kuti ndidii? Zvinobatsirei
shaar kukuudza kuti ndiri kuenda kwakati
wongonyarara pamwe pacho ndinenge
ndichitoti uchataurawo kuti unoda
kundiperekedza kana kurairira kuti
undivigirewo chakati. Takanetsana kuoffice
paya hauna kuda kundibudira pachena kuti
tidzidze kugadzirisa nyaya dzedu tega asi …
Purity: waida ndiite sei ini ndaive ndakuvara?

Ini: kungotaura shaar kuti Innoe zvakati


nezvakati handizvide panozoitwa zvehondo
ndepanoramba munhu achiita nharo.

Purity: ndazvinzwa.

Ini: kana wazvinzwa chindiudza kuti unoda


kuti ndikuvigirei.

Purity: ummm unondivigira mashades


akafanana neako

Ini: kkkk mashura chaiwo, okay madam


ndazvinzwa. Ndokumbirawo kukuona
pandinodzoka.

Purity: tanga waudza mbuya mai Munya.

Ndakaseka ndichimunzwa achisekawo aive


tsotsi munhu uyu saka nguva yese iyi aizviona
hake achikuvarira mukati. Ndaizviitira
kumukaurisa zvangu ndaitoti kana ndichida
kumuona ndaibvunza kana mbuya variko
kumba kana vakati havako ndaitoti
ndaizomuona kana vadzoka. Ko ndini ndaive
ndaisa mutemo wacho here ndaiita zvaaida
iye manje aive akuzvitadza. Ndakafara taive
tave nenguva tisina kumbotaura nguva refu
chero pandaimboenda kunomuona ndaitoita
sendaifambira mbuya mai Munya. Ndaive
ndakutononokerwa nekudzokera kuZim kaive
kakunetsa kamunhu kacho ndaitoziva kuti foni
ikaringer ndiye, ikapinda message ndiye
anenge aive akuda zvinhu zvangu zvaive
muhembe chete munhu uyu. Ini ndaizonzi
kuzvida apa here ndakatozvida asati
atombondida pandakatanga kumuona maziso
angu akamhanyira kumubvisa hembe husiku
ndikatorara ndichiimaginer hangu ndichirova
zvinhu.
KuSA takawana kune nyaya ndakaudzwa
hangu nasekuru Farai zvaitora nzvimbo asi
havana kukwanisa kuudza sekuru Nigel nekuti
zvaizosimudza mashoko. Semunhu akangoita
zvekuudzwa munzeve ndakangoti
ndaizozvichengeta mumoyo asi vakandibhowa
mbuya mai Natie panyaya yacho. Takawana
vachiti vairwara vaitoonekwa apo neapo
nguva zhinji vaigara mubedroom mavo. Mai
vaivabatsira basa vaive vakugara pamba pavo
full time semunhu aive akuremerwa
nenhumbu yaive yakura. Vakatogara vataura
kuti vaisakwanisa kuuya kumuchato bp yaive
yakakwira makumbo akazvimba kuita
mazitanda. Sekuru Farai vakati vaizoenda
pamwe chete nesu then muchato
uchingopera votokwira kudzokera pamwe
taitozobatana navo takuenda kuhoneymoon.
Waitoona wega kuti mufaro waive mushoma
pana sekuru Farai vaizohwanda nekuti
vaimhanyidzana nezvakawanda kubasa. Vaida
kusiya vagadzirisa zvekuti kana pane chaitika
kuna mbuya mai Natie vawane rubatsiro
nekukasira. Panguva iyi vaiti mahospital ese
aive akazara vaitoedza kuti vatsvake munhu
wekubudisa vawane space. Sekuru Nigel
vainetseka chose nekurwara kwambuya mai
Natie vakatomboti dai sekuru Farai vaita kuti
mama vavo vauye kuzogara navo. Zvaive
zvakanaka izvi asi sekuru Farai vakati
“tauriranai kana abvuma tovatumira mari
vauye.” Vakaudzwa mbuya mai Natie hatina
kuudzwa chikonzero chine musoro vakangoti
“nhumbu dzosiyana chero vakavepo kana
pane zvinoda kuitika vangazvikonesa here?”
Ini ndakanga ndati ivo sekuru Farai vasare
havo hapana pandaizovatsamwira kuti havana
kuuya kumuchato wangu. Vaingopindura
zvakanyorovera hanzi “bp yekuzvipa here iyo
akangofunga semunhu mukuru inopera
haitombode chipatara zvachose.”
Madress ataida takamawana ese
kusanganisira shangu dzacho but takazviwana
tatambura chaiko nekuti shop yacho yakanzi
yaive kuCapetown. Patakaenda kunocollecter
takafonera mama Felie tichiitira kuti
tigonorara kumba kwavo vachibva vati vaitove
munzira kuenda kuairport kuti vanobata
ndege yekuenda kuZim. Vakanetseka kwazvo
vachiti taidei takavaudza day ratakasvika kuSA
pamwe vaidei vakangonotenga ivo manje
nepavaive vave zvaisaita kuti varege kuenda.
Takangoti taizovaona kuZim so takanotora
zvinhu zvedu tikarara mulodge ndokumuka
tichidzokera kwasekuru Farai. Hatina
kuzogarisa takangorara zuva ratakabva
kuCapetown tikamuka tichitokwira kuenda
kuZimbabwe tiri three. Pane zvinhu zvasekuru
Farai zvakatakurwa netruck takangonzwa
vachiti vaida kunozvigamuchira ivo vega
zvaisaita kuti vatume munhu. Munhu akati
“zvinhu” asingatauri zita zvinenge zvichireva
kuti haadi kuti zvizikanwe so hatina
kumbobvunza kuti zvaive zvii. Takabva kuSA
mbuya mai Natie vave kurwara zviri nani pane
zvatakawana vakaita. Kumeso nemaoko vaive
vasisina kuzvimba zvaive zvangosarira
kumakumbo chete. Hamheno kana kuona
munhu kuchirapa ndaingonzwa vachinzi
“bamunini makaita henyu mukauya
ndakatonzwa zviri nani pandakakuonai.”
Takafamba zvakanaka tese-tese taive
takutarisira zvemberi sezvo paive pasara four
days chete kuti zuva rangu risvike.
Takazogamuchirwa naMukue kuairport
tikananga kumba kwedu. Vanhu zvavaive
vatoungana ndakangonzwa kamwe kafeeling
keexcitement mandiri nekuti yaive sign iyi
yekuti zvaive zvabudirira. Vasikana
nevakomana vaidzidzira masteps vaivepo
pamba pedu vachitungamirirwa nasekuru
Takue. Mamwe mazuva vaienda kulodge
kwataizochatira asi apa ndakanzwa sekuti
mama ndivo vaive vavati vauye kumba kuitira
vagofitter hembe dzavo dzataive nadzo.
Vazukuru vangu ndakawana vachinzi vaive
vaenda kunoona Purity vatakaona vana vavo
nedzimwe hama dzavaive vabva nadzo
kumusha. Mama vaitoti muzuva raitevera
kwaizouya vamwe vanhu vakawanda
kusanganisira vana bamunini vaRhoda
nevamwewo vavaigarisana navo
kuMberengwa. Handina kuzoenda nana
sekuru kuBelvedere ndakafonera vazukuru
vangu kuti tisangane mutown vaine mukadzi
wangu. Ndainzwa kumuda zvakanyanya musi
uyu ndakatotsidza kuti zamu kana kiss pane
chimwe chandaizowinner chete. Ndichipinda
mutown ndakafona ndichitika vandiudze
pavaive vakutaura zvekupenga zvavo kuti
vaive vachambodya. Nezvandainzwa muviri
wangu ndakabhowekana chaiko nekuti nyama
dzaive dzakagadzirira kumboyemerwawoka
kekutanga. Ndakapinda nzira ndikaisa
message kuti tainosangana pacorner
paikwirirwa makombi nana Purity.
Ndakanosvika futi ndikamira asi havana
kuzononoka zvavo vakauya papera ten
minutes. Ndakaita sendichadonhedzwa
mutara namai Ashie namai Anesu vaive
vandisuwa kani vazukuru vangu. Rhoda
naPurity vaiseka havo vakamira kumota mai
Ashie achitaura zvaanoda hake “sei vamwe
muchibvumiwa nechero pamasvika veduwe?
Sekuru matowedzera kusimba muri kupiweiko
nambuya vangu vasina choice ava? Imi ndimi
mune choice sekuru honai Miss world
vamakatitsvakira ayewa ndarwadziwa ndikati
ko makaoneiko mbuya vangu rambai munhu
uyu ndikutsvakirei umwe murume.” Uyu agara
aitaurisa zvake ndaimuziva apa aitoita
seakazivana naPurity kare-kare. Ndakazoenda
pana Rhoda ndikamupa hug ndokudarikira
ndikasvika ndichisumudza munhu wangu.
Hana yerudo yairova kani apa aive akaiswa
zvimwe zvinhu zvepink, blue, white nered
mumusoro zvaisunga bvudzi rainhuhwirira
ngazvimufite kuita kamusalad. Body shuwa
aive aderera asi zvaisanyanya kuonekwa
hazvo semunhu aive agara akareba. Handina
kutambisa nguva ndakaudza vana mai Ashie
kuti vaende taizoonana kumba. Ndaida
kupinda mutown naPurity tonotsvaka
pekutandarira hedu. Mai Anesu ndiye akati “ii
tabuda tichiti mbuya vakutisvitsa pagate
vakazononoka kudzokera manje
munotishoresa sekuru. Kumba kwavo kune
vanhu vakawanda hazvitombozoratidze
chimiro.” Ndaive ndisina kuziva ini kuti kumba
kwaive nevanhu akatozotaura kuti vana dad
vake vese vaive vauya nemhuri dzavo koitawo
dzimwe hama kusanganisira tete vaye
vekupenga. Vakabva vatofona tete
vachibvunza kuti sei aive asati adzoka.
Akaratidza kubhowekana haana kuvapindura
hake akangoti “ndakudzokera mufambe
mushe tozoonana hedu.” Parcel yake yandaive
nayo ndakatoita yekupa Rhoda kuti amusvitse
sezvo aive atobva patiri. Zvaive zvaramba
zvekuonana tiri tega vanhu vacho
vaingowedzera security pagold rangu
hamheno kuti zvakwaive kwasara mazuva
mashoma kudaro vaizodii. Ndakagarak namai
Ashie mumota mangu vana Rhoda
vakateverea neyamama yavaifamba nayo
tikadzokera hedu kumba.

End of chapter 10

Love you guys


_wasvika muchato hatidi vanosara musasiye
mabucket ekuzotakurira nyama_
CHAPTER 11
*Purity*

Zvaityisa hazvo zvekuroorwa asi zvaidadisa


kani uchiona vanhu vachiungana nekuda
kwako. Vana dad vese vakauya mota dzichiita
sedzichagara pasi nekuremerwa nenyama
dzaizodyiwa nevanhu takamirira zuva
remuchato. Mombe iya yavakati vaizobvisa
pamuchato yoitwa usavi vakabatanidza mari
vakanotenga pazvimapurazi ndokutopa order
yekuti yaizourawa musi weFriday yoendeswa
kwaizonge kuchibikirwa. Mama vekuVic-falls
voga ndivo vasina kuuya sezvavakagara
vataura kuti zvaisaita kuti vasiye vana Paida
voga. Vese nasisi vaye vekuuya kuzondiona
vaine nhumbu vaitarisira kupona mwedzi
umwe chete. Pandiri kuti vaiuya nemhuri
dzavo handirevi vana dad nana mama chete
asi nevana taive takura manje tese pane
zvataive tapedzisira kuonana takaita.
Taivaraidzika pamba vamwe nevamwe
vachitaura zvekumabasa avo vamwewo
zvekunzvimbo dzavaigara. Ndivo vanhu
vakatomboita kuti ndinzwe kugadzikana
papfungwa dzandaive nadzo pamusoro
paInnoe. Aive akungoita attitude inotyisa iya
yekuti unofunga zvakawanda-wanda kuti asi
handichadiwa. Kurambiwa hakuna basa zvako
kwakagara kuriko asi kukazoitika vanhu
vaungana sezvataive taita vekwaMadondo
ndipo pamunonzwa zvichinzi pane
akazviuraya. Ndaitaura naye hangu ari
kuSouth-Africa handitozive kuti aiita nezvei
ndakangoti pamwe pane zvinhu zvekubasa
kwake zvaaida hake. Matambudziko akazouya
musi wakasvika gotwe remumba mambuya
vangu. Ivoka tete vangu ava takawana vasvika
musi wataibva kunoona mainini Loveness
vaive vauya kwambuya mai two. Zvaiita sekuti
vanhu vaivasarudza mumhuri sezvo vamwe
vese vaive vatouya kuHarare asika tete vaive
neproblem kuda ndiho hugotwe hwacho
hwaivaremadza hamheno. Vaingocreater
nyaya pakanhu kadiki-diki vototanga
kupopota saka hapana munhu aikwanisa
kushingirira matakanana akadaro. Mwana
wavo Lucia aive atumirwa mari yebhazi
namama sezvo aizove umwe wevasikana
vaizondiperekedza. Ko takazivei zvedu kuti
naivo vaizouya nekukasira kana nyadzi shuwa
munhu kusiira murume vana vadiki-diki
achizogarira masteps. Lucia aive akarukwa
mabhanzi mumusoro dai vakamarenewer
zvaive nani pane kufamba nemwana akura
kudaro musoro uchiita semvere dzehwayi.
Aidzidza Lucia form three so kuchikoro kwavo
aiti form one netwo vaigerwa, three nefour
vairukwa mabhanzi chete then A’level
vairukwa chero zvavada chikuru zviri smart
chete. Tete vakawana mari yakawanda
pandakabvisirwa shuwa kutadza kutengera
mwana musikana hembe dzinoonekera
dzekuti auyewo akapfeka? Aive neuniform
skirt yaive yakasonwa pahomwe koti blouse
rake raionekera mukati saka aitoisa t-shirt.
Mutsoka aive nematoughee ane nyota
yepolish uye rimwe racho raive rakaita
kakutsikirika kumashure. Lucia ndaive
ndakaguma kumuona kare-kare chaiko tichiri
vana vadiki. Takakwazisana hedu natete
nekubvunzana mufaro tikaudzwa kuti vamwe
vana vaive vabuda. Vana dad vaive vauya
nevana vavo vakomana vamwe vadiki
vekuprimary kozotiwo vamwe vahombe
vekuseconday. Waitove mukana wekuratidza
vana nzvimbo saka apa takawana vabuda
havo kupinda mutown. Ndakati Lucia
anditevere kuroom kwangu tikasiya vanhu
vakuru vachitaura nyaya dzavo. Mwana uyuka
dai aive asina kufanana natete pachiso
taigona kuti pamwe vakamunhonga kana
kuchinjirwa kuchipatara. Ndakatya ini
necharacter yake aive akanyarara zvake.
Takapinda muroom mangu akange akuda
kugara pasi ndichibva ndamuti auye pabed.

Lucia: (achibvisa bhutsu) ndange


ndatokukanganwa mainini Purity.

Ini: neniwo hako ndakakuona kare-kare


handichambozivi kuti gore ripi.

Lucia: handiti hamudi kumbotishanyirawo


here veduwe?

Ini: kkk hakusi kusada Lucy zvinenge


zvichiwandawo. Wasiya varisei vamwe havana
kuchema here vachida kuuyawo?
Lucia: ndangouya kuti handingarambi hangu
asi moyo wangu uri kurwadza. Rodney
anonditevera zvakangofanana nekuti baba
havana munhu wekutuma. Munhu ari grade
seven asi haana kana basa remumba raanoita
anomuka chibuda odzoka husiku.

Ini: ko vatete vanodii kumutsiura atokura uyo


grade seven?

Lucia: mama here ndange ndichivati dai


vangondikwidza bhazi rekuuya kuno
ndogashirwa sekutaura kwaive kwaita gogo
manje varamba. Kudzie anoita grade one
naKuda mudiki vakamboita mhezi mazuva
apera ayo saka maronda avo haasati
anyatsopora. Baba havambozvikwanisi
vakugara vachichema-chema nemakumbo.

Ini: shame usanyanya kufungisisa hapana


zvavanomboona.

Takaita nguva takanyarara akazokumbira kuti


aida kugeza nekuti vaive vabva kumusha
husiku vakangokwanisa kugeza kumeso chete.
Ndakamupa zvese zvekushandisa
ndikanomuratidza pekuvhura nevhara mvura
ndichibva ndamusiya achigeza.
Ndakasanotsvaka hembe dzese dzangu dzaive
diki ndikaunganidza kuti agotora hake awane
chekupfeka. Bvudzi rake raive hombe zvaro
aigona kutogadzirwa musoro akatobuda
chaiko. Akadzoka ndikamupa hembe
dzandaive ndasarudza akaratidza kushamisika
hanzi “hii mainini dzese idzi, maita basa
henyu.”

Ini: uchitendei Lucy pachedu handiti?

Akadzoka azora mafuta asi manje pakuchinja


hembe ndakaona kuti aive apfeka pant nyoro
apa dzaingove tambo zvadzo. Vatete
vaizviitisa shuwa munhu ane mwana ave
mhandara ungatadza kutsvaka mapant edollar
for three zvawo. Ndakamupa andakatengerwa
naInnoe aive matsva ndikaona akubudisa
misodzi chero thanks yake yakabuda
mumiromo yaibvunda neshungu. Mwana uyu
airatidza kuremerwa mumoyo kureva kuti aive
nezvakawanda zvaimushungurudza.
Ndakamuti tibude timboenda pamashops
hedu tichitwasanudza makumbo.
Patakadarika nemudining vatete kana
kumbotenda mwana aive achena vakatoti
“neniwo ndotoda dzangu hembe vana
maiguru ndofunga makazviona pandakauya
paya kuti ndakazvishamira zvangu.” Hazvirevi
kuti ndaida kutendwa asi vakaita sevaive
pamakwikwi nemwana. Iye aive atobuda
zvake ndikamuti apfeke pamapata-pata angu
aive pamusiwo ini ndikapfeka amama.
Tichangobuda gate akati “mama ndizvo
zvavanoita ndakambopiwa hembe nevamwe
mai after ndavatakurira zvinhu zvavo
pandakawana vaburuka pabust stop. Dzaive
hombe zvadzo asi ndaikwanisa kupfeka ivo
vakutora dzese kana kuzombonditsvakirawo
dzimwe dzekuti ndipfeke.”

Ini: ndimama havabhadhariswe Lucy handiti?

Lucia: ndozviziva hangu asi mama


vanozonyanya zviito zvavo zvinonyadzisa
tinongosekwa neraini rese. Pavakabva kuno
ipapa manje-manje vakauya nezvekuzora
kumeso zvavo vaingosekwa vachiita sekakudo
kanyikwa muromo muropa.

Ini: (ndakaseka) usadaro Lucy hazvina kunaka.

Lucia: ipapa vatonyara chete kuuya vakaisa


zvinhu zvavo izvozvo maidei mavanyarira.
Vanoda zvinhu ndainzi usanopusa ikoko
mainini vako vakawana murume pamuchato
saka iwe ukatamba macard ako zvakanaka
tinodyawo neveHarare. Vakambodya nyama
yemumwe murume aive nebutchery
pamashops pedu vachiti vanomupa ini henyu
mainini.

Ini: rini?

Lucia: gore rakapera ndiri form two apa


murume wacho mudhara zvake ane vakadzi
vaviri. Ndepapi pandaizobvuma zvakadaro ivo
vachigara vachituka baba vangu kuti
vachembera? Baba vari munhamo henyu
mainini vanotukwa tiripo dzimwe nguva
vachinyimwa chikafu vachinzi enda
kunoshanda asi vanonyatsoziva kuti muviri
wavo hausisina kusimba nekugara vachirwara-
rwara kwavanoita. Nhai mainini mukaona
amai venyu vaine umwe murume mungaudza
baba venyu here?

Ini: zvese izvozvo zviri kubvepi Lucy?

Lucia: zvinoitwa namama ivava vachituma


Rodney kuvarume vavanodanana navo.

Ini: pane wawakambotaura naye nezvenyaya


idzi here?

Lucia: hapana mainini munoti kwedu uko


tomboverengwa here nevanhu nekuda
kwenhamo yedu iyoyi kotizve zviito zvamama
havanzwisisi nyaya vakangonzwa zvataurwa
vanotoenda kunoita hondo. Hama dzababa
vedu dzese hapana anouya kumba vakatoti
chero baba vakafa vachavigwa naivo mama
voga.

Ini: ko kuchikoro wakabuda zvakadii


pamakavhara ipapa?
Lucia: ndakafoira Maths neIntergrated Science
chete but pascience haisi mhosva yangu
nekuti pakanyorwa paper two handina
kuenda kuchikoro.

Ini: handisi kuti zvawataura zvinoitwa natete


zvakanaka asika hona vave munhu mukuru
hapana chaunovaudza iwe vakateerera.
Siyana nazvo ushingirire nedzidzo yako
pamwe mangwana vakazoona wabudirira
vachachinja maitiro avo iwaya.

Lucia:ndizvo zvinogara zvichitaurwa nababa


asi manje hamheno ndikanyora gore rinouya
mari yacho inobvepi? Tinobhadharirwa
nebeam hedu asi pakuregister vakataura kuti
tinozvionera.

Ini: haumboshayi mari yekunyora iwe


shingirira chete kunyanya masubjects
aunoona kuti anokuremera verenga chaiko
usanete.

Lucia: ndizvo zvandichaita mainini, kkk


ndakamboendwa neni kune imwe n’anga
namama hanzi kunopiwa mushonga wekuti
ndigone chikoro.

Ini: Lucy?
Lucia: (achipesanisa zvigunwe) cross bhaibhiri
mainini asi vanenge vaive vandinyepera
nekuti vakanosvika vakandisiya n’anga iya
yakutaura zvekunyeba hanzi unofanira kuita
mukadzi wehomwe zvechikoro hazvisi mauri
….

Akanyarara takumhoresana namai Musara


vatakasangana navo vachibva pamashops.
Kuzoda kuita makorokoto enhema mai ava
kuda kutsvaka makuhwa. Vakatikanganisa
nyaya dzedu nekuti vakatiteverera ini
ndaingoda kuspoiler mwana wangu hangu
todzokera asi ndakatozotenga macandle
ataive tisina kufambira. Zvaisaita kuti titore
nguva refu tisina kudzokera kumba vanhu
vacho vainetsa kuchengetedzwa kwacho
kwaive kwazonyanya uku.
Chandakaona hangu pana Lucia ndechekuti
aiziva zvaaida muupenyu hwake. Vanhu
vakawanda vakapupura kuti zvavaitarisira
kuona paari zvaive zvakatopesana nekure
nezvaaive chaizvo-chaizvo. Mama
ndakavanyeurira nyaya dzaakandiudza
ndichitokumbira kuti vasamurase ini semunhu
ainotanga musha hapana pandaizomuvimbisa
kuti ndichakupa zvakati nezvakati. Mama
vakataura naye sevaitamba vachiti aida here
kuuya kuzodzidza kuHarare. Zvekusiya baba
vake akarambisisa aitoda kutaura zvavaiitwa
namai vake asi vakamusimudzira voice
akapusa kuita seachanyura pasi. Kumasteps
aienda hake nasekuru baba Munya ndivo
vaimuperekedza nemota sezvo vaive
vasisaendi kubasa. Avawo ava naInnoe wavo
zvaingove zvekutarisa nemeso zvedu
vaiwirirana zvakanyanya. Pese paaive
asingauye kuzondiona taingonzwa vakuti
“ndange ndanosangana nemuzukuru wangu
ati ndizotora doro.” Mazuva aitofamba zvawo
ndaivaraidzwa naInnoe pese pandaitaura
naye ari kuSA aindisiya ndisisina simba
mumuviri. Chandaida hangu ndechekuti
kumba vanhu vaindipa mukana wekuzorora
zvaingobhowa chete pakurambidzwa kubuda
gate. Vana sisi vangu vakauyawo nemhuri
dzavo munhu aitondirwadza ihanzvadzi yangu
gunners (Allan) vaiti zvaive zvakapresser
kubasa vaizosvika Friday ichimuka iri Saturday
day remuchato. Vanhu vekuchurch
vakambouyawo kuzoita munamato
nekunzwisisa kuti muchato waizoitirwa kupi
vanenge vaive vanyeurirana guhwa
rekwaMapanzure saka hapana aida kusara
kuzoona mukwasha anorema uyu. Handisi ini
ndakati anorema veduwe pane vamwe mai
vaingonzi tete namama nekuda kwekuti
taiyera mutupo umwe chete navo ndivo
vakazvitaura. Pese apa handina kunge
ndanzwa kuti vana vambuya mai Munya
vaizouyawo here kumuchato. Dzimwe hama
dzamama dzaivimbisa kuzosvika musi
weChina kana Chishanu sezvo vaive
vatsvakirwa transport yaizouya navo vese.
Mama vaigona kufadza mbuya havo
vakangoita surprise vakatumira vana mainini
nasekuru Munya mari tikangoona vasvika
pamba. Vakataura nadriver uya aindiendesa
kuchikoro ndiye akavagashira kuMbare akauya
navo. Shame mainini Gladys vakasvika
vachiwira pamakumbo asekuru vakachema
nemufaro. Vaive vatoyarutsa mbuya, mainini
Gladys shuwa vakangozvarwa tichiona
tumazamu twaive twatobudikira. Vaida chose
kuperekedza muchato mainini vangu asika
vaive ambuya zvaisaita. Musi wavakasvika
ndipo pakadzoka vazukuru vangu
vekwaMapanzure vachibva kumusha. Ndaitika
sevanhu vaigara America pamwe chivanhu
chedu vakatokanganwa zvavo. Vaigona
kutamba muchohwe dai ndaive ndisina
kushinga ndaichema chete. Mongoziva imwe
michohwe inenge iri yechokwadi sepakanzi
namai Ashie “umm sekuru vangaroore
mukadzi wetsvina-tsvina akadai shuwa
hamuoni kuti level rasiyana iri? Kuzvichengeta
shuwa sekuru vangu kuti vazotiunzira
chipurunyenye chakadai apa panenge
pakashandiswa mishonga chete?” Vakaedza
kani kumocker asi nekuona zvaimboitwa
namama nambuya mai Munya ndakaramba
ndichiseka zvangu. Zvipo ndakapiwa hangu
ndakatoshaya kuti zvavaive vatangirira kudai
muchato wacho usati waitwa kuzoti
pawaisvika hamheno-hamheno.
Ndakatengerwa hembe, mapant, maperfume
nejewellery wanei ndakuita saqueen hangu.
Vaive nechoice vanhu vacho ndakatanga
kuyemura kubva musi wandakanopima
magown angu neshangu dzacho aimi vanhu
vaizoonesa havo. Innoe handichatauri apa
ndipo paaizoona kuti shuwa mai Pue vaive
vakazvara bullet. Vana mai Ashie, mai Anesu
naRhoda ndivo vakati vaizoona zvese
zvemake-up. Vakatouya vakagadzirira zvese
saka vaiuya kumba everyday kumaeleven
votanga basa ravo. Pavaiuya pese kuzoita
zvemake-up zvavo vaiuya nemunhu aizotora
mavideo nemapicture hanzi zvaizobatanidzwa
nemuchato sezvatakaona pana mbuya mai
Natie.
Mucheno ibasa riya mukaona vakadzi vane
ganda rinotsvedzerera vaya haisi favour kubva
kuna mwari asi zvinoda moyo murefu. Isu
vana Purity taingoisa foundation toti powder
nekalipstip kekunyepera tofunga kuti
zvaringana. Mafuta anonyorwa pasi zita
nepaanofanira kupinda nekuda kwekuwanda
kwawo apa achizorwa nguva imwe kumeso
chete. Bvudzi iri ndaimbogadzirwa chose
kusaloon ini asi zvimwe zvavaishandisa regai
ndingoti zvaive zvekuruma bvudzi nekuti
mazita acho aisaverengeka. Zvaisaita kuti
ndizviratidze kusaziva pavazukuru vangu ava
nekuti vaive vanhu vanotaurisa ndaisekwa
ndikapedzisira ndachema. Vana sisi vangu
vaive vavepo pamba ndiwo mukana
waishandiswa uyu vanhu kutaura zvezvaive
zvakatarisana neni mberi kwataienda uko.
Zvaive zvodanwa nemazita chaiwo
zvemubedroom imika ndakaonerera hangu.
Mbuya mai Munya ndipo pavaidanwa
vachidavira pakadai vairairira vachiedzesera
nemuviri hembe yakaunganidzwa pakati
pemakumbo uri mufananidzo wemurume.
Chiuno vaichitenderedza sevanokodzonga
poto kana zviri izvo zvaiitwa sekuru vangu
yaitove hondo chaiyo. Vaiti vakarara pasi
nemusana votora sisi vahombe vovaisa
pamusoro pavo. Vaibva vasimudzira chiuno
mudenga vosiya mapendekete ari iwo anenge
akajegera pasi. Vari paposition iyoyo zvaitoda
kuti anenge ari pamusoro asimbe nekuti
pavaifambiswa chiuno aigona kudonhera pasi.
Ndakazonzi ndiitewo ivo mbuya vakandigarira
apa vaive nebody hombe henyu hanzi “ndiani
anorema ini naInnoe usade kutiyemera pano.”
Ndakazvitadza ini plus ndainyara hangu vanhu
vacho vaive nemisikanzwa ava. Vaireva here
kuti mudzimba mese umu ndizvo zvaiitwa
saka hapana airaraka vanhu vachiitab basa
rekugymer. Fear yakawedzera ndichifunga
izvozvi zvandaidzidziswa, kunotanga upenyu
hutsva kwaMapanzure kotizve kusiya amai
vangu kwaindiita ndinzwe sendakutofirwa
navo. Kuwacha, kubika nekurongedza mumba
ndakadzidziswa semwana wegrade one
chaiye. Hanzi nambuya mai Munya “munhu
achingotanga kuisa hembe mudish chete
unotoona kuti hapana chinobuda apa. Hembe
dzewhite hadzingonzi ndidzo dzinotangwa
kuwachiwa chete asi ziva kuti ndeye white
hayo asi yakasviba zvakadii. Dzinenge dzine
tsvina yakawanda unowacha musipo woisa
mumvura isina sipo uchibvisa muto uya
wakasviba then wozoisazve mune imwe sipo
unonyatsoona mvura ichisara yakachena.
Macolour haasanganiswe hembe
dzinobudirana dzikatokanganisika. Ndiwo
mukana watawana iwoyu pamwe mukufamba
kwenguva hatizoonani zvedu. Hembe dzenyu
vakuru hadziwachiwi pamwe nedzevana
vamwe vakatoona uchisanganisa hembe
dzemurume nemanapkin unotofungirwa kuti
pane zvauri kugadzira.” Zvizhinji
ndaitorairirwa iri practical chaiyo sekuironer
hembe dzechirume vakandibatsira chose
ndaigona kunoita maline hobho pashirt
nekuda kwekusaziva pekubata. Kuwaridza bed
ndakadzidziswa nevazukuru vangu pane
umwe aiti aishanda palodge kuAmerica. Bed
rikanyatsoshongedzwa chaizvo-chaizvo
unogona kuramba kurarapo uchiyeverwa.
Kubika ndaigona hangu semunhu akaita foods
and nutrition paO’level asi ndaitodawo zivo
yezvimwe zvinongoitwa pasina kubata
mabook. Mbuva yerwendo ndakapiwa hangu
zvaive zvasarira kwandiri kuti ndaizonogona
kutevedzera here sekudzidziswa kwandakaita.
Final day ndakaswera ndichimhanya kutoilet
nemudumbu kutya kuya kwaive kwauya zvine
simba. Mamessage zvakare aibva kuhama
aindionesa kuti chokwadi paive pasisina
kudzokera shure apa. Munin’ina wangu
akanditumira message yandakapedza
kuverenga foni yazara misodzi screen yese.
Ndiko kwaive kutanga kutumirana message
ine udzamu pamwe pese taingotaura
tichimhoresana nekubvunzana utano
zvotopera. Ndakaita sendaimuona Paida
mashoko ake airatidza kuti akabva pamoyo
chaipo zvekuti dai akamataura tiri pamwe
chete aitondimbundira. Sisi vaaive navo kuVic-
falls vakatumirawo vachindishingisa
vaitoratidza kurwadziwa kuti shuwa muchato
waive wakutoitwa vasipo. Mama vadiki
vakatumirawo message vachindikurudzira
kunobata mukwasha wavo zvakanaka. Vana
mbuya mai two, mainini mai Nyahuni ndaive
ndanzwa kuti vakauya asi handina kuvaona
hangu asi vakatumira message, vakawanda
kani kusanganisira vanhu vekuchurch.
Madzimai ekuchurch akazoita surprise
manheru yebridal shower kungoona vanhu
vasvika manheru nemota dzakatakura chikafu
chavaive vabikira kwamai Mufundisi.
Ndakadzidziswa shoko ramwari ndiro raive
rakakosha vachiti imba inongoda kutangwa
nemunamato kubva pafoundation kunosvika
kumakey chaiwo. Rairo ndizvozvo vakaedza
havo asi mbuya vangu vaive vasakura
nekuzunza handina kuona zvitsva ini. Midziyo
yemukitchen vakabvisa chose tikazadza
madish mahombe eplastic ekugezera matatu
nendiro chete. Macup aivepo type netype
takangounganidzawo mucorner nemapoto
acho. Mai Mufundisi vakabvisa kitchen unit
yemetal three piece. Vaiedza chose kuba
moyo wamama chero kuseka-seka kwacho
ayewa kwaive pamusoro. Vakadya, vakanwa,
vakatamba vachiridza radio vachideedzera
kuti muchato waive watotanga.
Ndakangozotorwa ndikaendeswa kuroom
kwamama kunorara handitombozivi kuti
vakapedza zvemafaro avo nguvai. Mama
ndakanorara navo veduwe vabereki
vanoremerwa nekuparadzana nevana vavo
ndakanzwa tsitsi. Ndakarara
ndakatsamhiriswa ruoko ndichipota
ndichitariswa kumeso vaifunga kuti
ndaisavaona zvangu but pamwe
ndaitomboshaya hope ndonyepera
kutsinzinya. Pane pandakavanzwa vachichema
nekutaura vega hanzi “ndiri kufara yaive
shuviro yangu kuti vana vangu vakure
ndichiona vagotanga dzimba dzavo. Ndizvo
zvega zvandaichemera baba Pue pese
pandaienda kuguva kwako ndichiti
nditarirewo murume wangu ndichengete
vana vedu.” Ndakazvikanganisira kunzwa
zvakawanda nekusanduka kwandakaita pasina
nguva padoor pakarohwa-rohwa. Vaive
mukoma Allan nhai, vakataura nevoice
rekudhakwa hanzi “mama ndini ndasvika
manje handina kuzokwanisa kuuya nezuro
nekuda kwebasa. Ndapika ini nedzinza rese
rekwaMadondo kuti handitadze kusvika
kumuchato ko ndisuka varidzi vemunhu
takapiwa zvedu nemukwasha isu
takumupawo zvake yoita square-square.”
Mama vakapfeka vakabuda pasina nguva
message yakapinda kubva kuna Innoe hanzi
“good morning my love, I’m in tears handizivi
kuti ndotsanangura sei zuva ranhasi iri ….”
Zvimwe zvacho zvaive zvisina kunyoreka
zvakanaka kuda akanyora aine hope zvake.
Aitotaura zvekuchema hake kuseni ikoku ko
ini two days dzaive dzadarika ndaingogara
maziso akatsvuka nemisodzi. Chimwe
chainyanya kurwadza mafambiro aiita nguva
seipapa ndakangozoona zuva razara mumba
vazukuru vachitosvikawo vaive vauya
kuzondipfekedza. Kuside kwedu kwaMadondo
kwaive nana sisi vangu, mai Mufundisi natete
vakanzi yaitove nzvimbo yavo kuona
ndichipfekedzwa nekuti pane mari
dzavaizopiwa ndisati ndabuda mumba.
Vasikana vemasteps vaivepowo vachipfeka
kune imwe room. Vana dad nedzimwe hama
handina kuvaona ini kuseni nekuti
pakangotanga vanhu kugadzirira handina
kuzombobuda mumba. Chandakanzwa
ndechekuti kwese-kwese kwaive kwaiswa
macamera vanhu vachitorwa mavideo then
vaizotorwa zvakare mamwe vakuenda
kuvenue. Hapana chakabikwa pamba kuseni
vanhu vese vakanzi vainodyira mberi kwaitove
nevanhu vecatering vakararirako
vachigadzirira. Ndiro rimwe basa raive
rasarudzwa nevanhu vekuchurch vaiti vaida
kuzobika asi vakashamisika vachiudzwa kuti
mabasa ese aive nevanhu vaizoaita ndosaka
makaona mai Mufundisi vakazomanikidzira
kuve pavanhu vaindipfekedza vaidawo kuti
zvizonzi church yakaisawo ruoko. Eight o’clock
vanhu vese vakatakurwa kuenda kuvenue
kusara kwangu, vasikana vemasteps, team
raindipfekedza nevakomana vaviri
vemacamera. Hapana kumboita ten minutes
takanzwa noise kunze kwegate yaive
motorcade yaiuya kuzonditora. Ndaive
ndakutoda kupfekedzwa gown zvimwe zvese
vaive vapedza zvavo. Mungashamisika kuti
ndaizopfeka gown vapedza kuita make-up sei
ayewa yaive imwewo type iyi ivava vakauya
naro ndivo vaiziva mazita acho. Takazononoka
ndatangazve kuchema misodzi ikakukudza
make-up kusara kumeso kwakuita
sekwacherwa migero nemvura. Vakatangazve
patsva apa chero neniwo ndakazvishora
nekusakwanisa kudzora misodzi kwandakaita
nekuti vanhu vaive vakutofona vachiti taive
tamirirwa. Taifanirwaka kunosvika tichidya
then muchato wotanga. Innoek
akatombofonera mai Ashie achida kutaura
neni vakaramba sezvo taive tarambidzwa
kutaura tese vasingazivi kuti kuseni akanga
atombonditumira message.

End of chapter 11

Love you guys


CHAPTER 12
*Innocent*

Taive tamuka zvakanaka kuBelvedere musi


weFriday tichifarira kuti muzuva raizotevera
ndaizodokerwa ndave nemukadzi wangu.
Patakasvika husiku hapana watakaona
takanga tawana vanhu varara nekuti takabva
kumba kwedu late ndinana sekuru vangu.
Mbuya mai Farai vakatitsiura nenyaya
dzekufamba husiku vachiti sekuru vaive vasina
kufara nazvo. Hwaisave hurongwa hwedu
kufamba husiku asi kumba kwakazowandisa
vanhu saka takaona kuti better tinozorora
kuBelvedere. Umwe munhu akashingirira
yekufamba husiku ndisekuru Nigel vanenge
vaitonetsekawo ava kurara kure nambuya mai
two. Takanga tanonoka kumuka avawo sekuru
Farai vandakarara navo vaiita noise nefoni
vachitaura nambuya mai Natie. Love yevaviri
ava manje yaiita seye mhuka chandakaona
hangu ndechekuti vaidanana zvimwe
zvavaimboitirana zvaive zvavowo pamwe
ndiyo yaive weakness yavowo. Zvisinei hazvo
kuseni taive tarongana kuti taizokurumidza
kubuda sezvo taifanira kunosangana
nabarberman kwedu. Vakomana vemasteps
vaifanira kugerwa zvakafanana vese ini
ndaizogerwa zvakafanana nezvabest wangu.
Ndaive ndasarudza Ashie mwana
wemuzukuru wangu. Mbuya mai two vakati
timire zvishoma tibude tadya sezvo vaive
vakutopedzisa kubika. Mbuya mai Farai
nasekuru baba Farai vaigadzirira kuenda
kwataienda uku. Mbuya Loveness vakanzi
vaigeza kuti vagoperekedzwa naMukue
kunosiiwa kwaMadondo. Ndiko
kwavaizoswera nekurara taitozovaona muzuva
raitevera kumuchato. Pataive takupinda
kunodya ndakadaidzwa nambuya mai Farai
vakati “hana haisi kurova here muzukuru
wangu?”

Ini: (ndichivabata ruoko) zvese zvakarongeka


chembere yangu ndakuzobvawo mudrought.

Mai Farai: (vachiseka) kuroora hazvirevi kuti


nzara yapera muzukuru handiti unoziva kuti
chikafu chinototsvakwa chobikwa vanhu
vodya. Zvakafanana nemukadzi ukasaziva
zvawakamutorera kuroora kwacho rinova
dambe. Hatidi kuzogara matare enzara isu
munhu akupedzera nguva kubasa
nemunzendo.

Ini: ndazvinzwa mbuya vangu zvamareva.


Mai Farai: hapana chinotipa zororo muzukuru
sekukura kudai tichiona muchitora gwara
rakanaka reupenyu. Vamwe vanozvarwa vari
gumi pagoshaya kana one anoisa smile
pameso pevabereki asi umwe agozvarwa ari
one hona vatete vangu vari kushaya pekuisa
moyo nemufaro. Iyi stage tongoti yadarika
takumirira zvemberi kunova kugara zvakanaka
murudo nerunyararo muzukuru handiti?

Ini: thanks mbuya vangu kana pane zvatinoda


kudzidza nekuratidzwa gwara tinoramba
tichidzoka kuzotsvaka mazano.

Takaenda kudining takabatana maoko


tikanodya tichiseka nyaya dzaitaurwa
nasekuru baba Farai. Sekuru vangu vaisave
munhu uya akangwarisira but apa mufaro
waivepo chaizvo vaiseka kuita sevachaonekwa
matumbu. Ndaiziva hangu kuti kufara
kwehanzvadzi yavo kwaivapa kusununguka ko
vanhu vacho vaiwiriranaka hamheno musi
waizofa umwe kuti vaizvigashira here.
Takapedza hedu kudya tikatobuda takananga
kumba kwedu uko kwatakawana dad
vasingagoni kutaura nekutsamwa. Takangoti
tichiburuka mumota tichikwazisana vachibva
vatoti “Innocent come here.” Matauriro iwaya
ndiwo akandiratidza kuti paive nenyaya.
Mamwe mazuva ndaideedzwa kuti sekuru
kaive kashoma kwazvo kudeedzwa kuti Innoe.
Mama ndivo vakangoti “baba Innoe please
calm down mutaure nemwana zvakanaka
honai pano pane vanhu.” Ndakashaya mukana
wekubvunza mama kuti yaive nyaya yei.
Ndakatevera hangu vaive vatokwidza masteps
kuenda kubedroom kwavo. Ndakapinda
ndichitokandirwa newspaper kumeso vakati
“what is the meaning of this Innocent?”
Handina kudaira ndakatarisa pafront page
wanei pane nyaya yekuchata kwangu.
Madetails ese kani venue, time ndakabva
ndafamba ndikanogara pacouch zvangu
ndikambokwenya musoro. Ndaive ndisina
kumbotaura nevanhu vemapaper ini
hamheno aive aita misikanzwa yekutaura
nyaya dzisinei naye. Sezvandareva kaive
kekutanga kuona dad vakatsamwa kudai saka
ndaitoshaya kuti ndovapindura kuti chii.
Ndakaona vakurova-rova pahuma
nechibhakera vakataure nevoice rakaderera
hanzi “ndiani akaisa nyaya iyi nhai mwanangu
kumapaper? Hona hatizivi kuti kunze uko
kune vavengi vangani ini ndinoita zvepolitics
muroora akapotsa aurayiwa saka ndiani
achaziva kuti vanhu vari kuuya mangwana
chinangwa chavo ndechei?”

Ini: dad ndatoshamisikawo nenyaya iyi


handizivi ini kuti yakataurwa nani but musatye
zvenyu ndogona kumuwana munhu wacho.

Dad: no, no, no siya zvakadaro ndange


ndatofonera vakuru kuti vaise order yekuti
tiwane security yakasimba mangwana.
Ini: moreva kuti pachange paine mapurisa
here?

Dad: yes son …

Ini: but ndakataura kubva kare dad kuti ini


hangu handidi izvi zvelife yekuchengetedzwa
handinzwe kusununguka.

Dad: ndokunzwisisa hatisi kuzozadza mapurisa


pese-pese but they will be watching if there
will be any suspicious chete.

Ini: okay ini ndakungoda kuti zviitwe zvidarike.

Dad: sorry nekutsamwa kwandange ndakaita


kungoti hatizivi zvinofungwa nevanhu kunze
uko

Vaive wrong zvavo vaifanira kutanga vabvunza


vasati vamhanyira kutsamwa. Ndakabuda
ndikasangana naRhoda pamasteps achiti aive
atumwa kuzodeedza dad vaidiwa nasekuru
baba Farai vaive vasvika. Panze mukomana
wekugera aive atosvikawo ndakatowana
vachironga zvekuita banchelor’s party. Sekuru
Farai vaiti yaikwanisa kunoitirwa kuvenue
kuitira kuti kana taneta tobva tarara ikoko.
Ndakavadeedza vese nasekuru Nigel
ndikavaudza nyaya yenewspaper
vakashamisikawo nazvo. Ndiyo nyaya
yakatadzisa party iyi taive tisisazive kuti taive
safe here kana kwete. Vanhu vemanewspaper
kana iri nzara yekuda vateveri vakawandaka
inenge yaitove yekufa chaiko. Kuzonyora
sekuti vakatoita interview neni vachitoquoter
pavaiti ndaibvunzwa mibvunzo ndichipindura.
Ndakatomboda kubatikana nazvo asi ndaive
naamai vane hushingi vakandiudza mashoko
akandisimbisa. Takangozoswera pamba zvedu
misoro yaive yagerwa tikambogezwa kumeso
nana mai Ashie sezvavaiita mazuva ose
zvekuona kuti makanda ekumeso
anyatsotsetseka zvakanaka. Vemacamera
ndivo vandaizonzwira tsitsi zvangu
vachicapture zvese-zvese sepaisvika vanhu
kugate vaitomhanya chaiko.
Manheru handina kumbotendera pfungwa
dzisina basa kuti dzindibire mufaro wangu.
Taingofarawo nevamwe vanhu vaive vaungana
vachiimba nekutamba. Kurara
ndakakurumidza ndichiitira kuti ndisazomuke
ndakafizuka. Moziva here kuti ndaisaziva kuti
taizotakurwa nei kuenda kuvenue kuseni?
Ndaitofunga kuti mota dzababa Innoe ndidzo
dzaizoita basa iroro sezvo dzaive dzakanaka
uye dzakawanda. Ndakatoshamisika kuseni
pachiuya mota dzaibva kune imwe well-
known car sale hombe yemuHarare. Vaiita
zvese kurenter kana kutenga so dad
vakanohirer two types dzemota eight per
each brand. Rimwe brand raizotakura ini
neboy dzangu then rimwe rakanzi rainoita
zvimwe chete kwaMadondo. Takatanga
kugadzirira mota dzakatimirira vamwe vanhu
vakanga vatotungamira kuvenue kunomirira
ikoko. DzekwaMadondo mota dzakaenda
pataive takupfeka takanga taudzwa kuti vaive
vatopedza zvese. Taifonerana tichizivisana
zvese zvaiitika uye vaive vamboisa message
vachiti vaida vamwe vakomana vaviri
vemacamera sezvo kwainzi vaive vararako
vakaperekedza mota yakatakura vana mai
Madondo. Hatina kuzogarisa isu taifanira
kutanga kusvika so takabuda tikaenda.
Takawana police iriko kuvenue vachitenderera
nekusearcher vanhu pagate vese vaipinda.
Mashamwari adad akauya neuwandu hwawo
hwese ndakatozoona kuti kudeedza mapurisa
yaive pfungwa yakanaka hataizogona isu kuve
nesecurity yakakwana inga chengetedza mota
dzaivepo idzodzo. Taiveka tangotsvaka vanhu
vane mabutton stick apa vaisasvika ten futi.
Mucheno handichatauri misodzi yakabuda
pandakapedza kupfekedzwa ndaiona sendaive
ndaumbiwa patsva. Vana mama vangu
vakachema, ivo mai Innoe namama Felie
vanhu vacho vaiita sevaifungisisa pese paiitika
chakaipa kana chakanaka muupenyu hwangu.
Sekuru Farai vaive vasisabatike friend yavo
dad Nyahuni vaive vasvika kuseni kwakare
saka taitoziva kuti kana vabatana hapana
aikwanisa kuvaparadzanisa. Tave kudya
ndakauya ndikazevezerwa munzeve nasekuru
baba Munya vachiti kwaive kwakutoda kuiswa
chiziviso chekuti taigona kuzotinonokei
nethirty minutes nekuti Purity aichema. Inga
ndaive ndambotaura naye kuseni wani ko apa
aive aita sei ndakatombonetseka. Ndakaedza
kufona kuti nditaure naye vanhu vacho
vakagashira foni vakarambisisa vachiti
ndaizomuona asvika. Zvakapa vanhu
kusagadzikana nekuti zvechokwadiwo
vakatozononoka kusvika. Noise yakaitwa
nevanhu pavakaona mota kubudikira
yakandiudza kuti vanenge vaive vatovewo
nefear yekuti pamwe zvichakona zvazvo.
Vakapiwa nguva yekunodya but ini ndaive
ndakungotura befu kasingaperi ndainzwa
sendaive ndakatarisana nechishamiso chikuru
muupenyu. Unenge uchingofunga
zvakawanda kuti pamwe munhu anochinja
moyo, isu vemahistory kumashure uko
unenge uchiti panongobudikira munhu oti
“ndauya wakanditambisira nguva yangu.”
Honai paive patove nenyaya dzemanewspaper
dzaitondinetsawo kuti ndiani aive aita
zvakashata kudaro. Zvisinei hazvo vanhu
vakazonzi vaende vanogara muzitent zihombe
raive rakadzikwa pacentre chaipo. Handizivi
hangu kuti vanhu vaive vakaungana ava
vaifungei nenzvimbo iyi asi ndofunga
vakangopererwa vachiona runako rwacho. MC
akadeedzera kuti boys dzekuside kwangu
dziuye ndikaziva kuti yaive yakwana nguva.
Sekuru Nigel vaive neni pese apa
vachindishngisa vakatondibata ruoko vakati
“hapana chinotyisa apa ndinewe kana
wakunzwa kudedera undibate.”
Ndakagutsurira musoro Ashie achindipfekedza
bhachi rangu. Taive takachena kani nemasuit
ewhite ane katie kecolour yegold. Aive maslim
suit aya anosiya shangu dzichionekera iwo
magucci ataive takapfeka. Takazotevera
tichifamba zvinyoro-nyoro pachirohwa kasong
kakasimudza vanhu vakatanga kuzununguka.
Pataifamba paikandwa maruva pamusoro
pered carpet. Takanomira pakati nepakati
paive pakamira marriage officer wedu vanhu
vakapururudza vachigara pasi sezvo music
waive wadzimwa. Vakadeedzwa vasikana
vakauya representing my wife zvakakodzera
vakavharwa kumeso netumanet kureva kuti
vaiperekedza musikana. Waizovaziva here
vana vevanhu vakagadzirwa kumeso apa
ndakatomboita kakushora vamwe vacho
pandakatanga kuvaona ndichiti vaigona
kuzokanganisa runako rwemuchato wedu.
Mwana watete vaPurity zvaaive musikana
akanaka nhai aingoshaya munhu
anomumantainer chete. Vaive vakabata
tumaruva twepink negold twavakasvika
vachipa kuvakomana vavo ndokumira
vakatarisana. Vanhu kungonzwa kwavakaita
kuti Purity aive akuuya hapana akasara
akagara pasi ndoreva zvese nana sadumbu
mafriends adad ndakaona vachiombera
maoko nekusekerera. Akauya akaita
kuunganirwa nevanhu vakawanda
vaipururudza nekumhanya-mhanya
vachishaya zvekuita nemufaro. Vazukuru
vangu vaifara kani akatombosimudzwa namai
Anesu wanei noise yawedzera. Waingoona
gown rewhite raiputira kubva mumusoro
kusvika pasi parainosiya mazilace aizara pese-
pese. Aive akabatwa ruoko nadad vake
vekuVic-Falls kuright kozoti tsano Allan vaive
vakakubata kuleft. Patakasanganidzana
maziso natsano Allan takasekererana ini
ndaive ndatorwadziwa pandaive ndanzwa
sekuru baba Munya vachiti vaive vasina
kuvaona nezuro wacho. Vanhu vakanzi
varambe vakamira kukaitwa munamato ndipo
pavakanzi vagare pasi paite runyararo.
Vakataura dad vachindipa Purity hanzi
“hapana chinodadisa sekuziva kuti ndakura
chero parinodoka zuva hope dzinobata nekuti
ndiri kuziva kuti mwana wangu akura aenda
kumukwasha nenzira yakanaka. Ini handipi
mukwasha mutoro wekuti achengete mwana
wangu asi sezvo ndakuziva kuti vave vana
vangu vese ndinoti muchengetane murudo
uye ndinokupai mablessings angu ndakamirira
mhuri yese yekwaMadondo.” Ndaitevedzera
sekuru Nigel kuombera ndakabva
ndazogamuchidzwa ruoko rwaPurity
aitobvunda zvake uyu. Vanhu vese vakaenda
kunogara kunzvimbo dzavo tikasara tiri four
ndokufamba zvinyoro-nyoro toenda kunogara
mberi. Ruoko handina kusiya aitofanira kujaira
kubatwa nekuti ndaitozoda kumumbundira
mukufamba kwenguva handiti ndaiziva hangu
program yemuchato kuti inofambiswa sei.
Takasvika tichigara pamachair ewhite aive
akakwirira zvekuti waikwanisa kuona vanhu
vese. Mama vanenge vaichema chete
ndakaona mabatirwo avaive vakaitwa ruoko
nadad. Vanhu vachigadzikana kwakanzi
vemasteps vamboita two rounds. Ipapa
pakasumuka vanhu ndipo pandakaona mbuya
vambuya mai two vaive vakagara pedyo
namama vasekuru Takue. Ndakangoita
zvekunzwa kuti vanhu vekuMberengwa vaive
vaenda kunotorwa ndofunga vakazosvika
kumba patakabva isu tichienda kunorara
kuBelvedere. Dai zvaienda nekuda kwangu
ndaimboti vape speech gogo ava vanhu
vaitozobva vakunzwa mabayo nekuseka.
Pakagara vemasteps pasi hapana kuzopedzwa
nguva takanzi tisimuke ndokutanga zvakare
nemunamato. Takaverengerwa kukosha
kwemuchato zvichibva mukabook kaive
kakabatwa namufundisi pavakapedza
vakatibvunza kuti taive tanzwisisa here
tikabvumira zvichinzwikwa nemunhu wese
pamaspeaker. Takanzi tigare pasi yaive yasvika
nguva yekuparidzirwa. Paive nevanhu three
vekuparidza kusanganisira mai Mufundisi
vekuchurch kwana Purity naMufundisi vacho
ndivo vaizotevera then kopedzisira vamwe
Rev. vaive vatsvakwa namama. Mai Mufundisi
ava vaida kuziikanwa chose vakatanga
nekuimba mamwe madzimai aive akagara
akaita chikwata akadairira. Aive madzimai
akasvika, akagezeka chose uye vakatamba
chaiko zvekuti dai pataive paive pasiri paved
taikachidzwa nedust. Vakazotanga kuparidza
mai Mufundisi hanzi “pane muimbi akati
kukura hakutani dai ndakaziva ndakati
ndidewo. Mwana wangu Purity uyu
ndakamuziva aine six years achingova mwana
munyoro kusvika nhasi uno akura kudai.
Munoziva zvinoita vana zviya zvekuti
muchurch vanosimuka vachizara-zara pese
ayewa uyu aingosvika achigara panzvimbo
yake. Sunday school yedu inogara mberi
vachiteverana nemazera kusvika kuyouth.
Aisumuka chete kana kuchiimbiwa panogara
vanhu pasi naiyewo aitoziva kuti mutemo
unoti hakusimukwe kana kuchiparidzwa.
Shoko randada pane zvandataura nderekuti
mutemo. Tine mitemo iri mubhaibheri
inotidzidzisa kugara zvakanaka nevamwe
musociety. Tine mitemo yatinopa vana vedu
kuti vakwanise kugarisana mumba patinenge
tichivakudza. Koita zvakare mitemo yatinopa
vana vedu kana vakura kudai vachinovaka
misha yavo. Pasina mitemo upenyu hauendeki
rinova bvonyongera. Iyi yemitemo ichabata
vakawanda vamwe zvavo haisi mhosva yavo
kusaziva asi vakashaya akavapa zivo yacho.
Wakakomborerwa anorereka nzeve
panorairwa mwana waShe nekuti
achabatsirika mune ramangwana rake.
Mazuvano nyaya hombe yanetsa ndeye
divorce vana kuchata nhasi mangwana yave
mhere mumba kusvika umwe neumwe
adzokera kuvabereki vake. Vana vari
kutevedzera here mutemo mukuru
wemuwanano kana kuti vakunokoshesa
zvimwe zvisina maturo? Hazvinei kuti
murume kana mukadzi ngatizivei kuti bible
rinoti mukadzi mumwe chete murume
mumwe chete. Varume vari kunyeperana
nekuda kwekukurirwa nechipfambi unonzwa
zvichinzi murume anobvumirwa kuita vakadzi
vakawanda. Pawaita umwe mukadzi uyu
wekutanga ari kuzvifarira here? Vamwe
vakadzi vanodyira uroyi mukutya kuti ko
ndikaramba handizorambiwi here, ko
ndikarambiwa hama dzinoti chii asi regai
ndikuudzei varume pamunoita vamwe vakadzi
muri kurwadzisa amai ava vamakatanga
kuroora. Mukazvitarisisa vana vemunhu
mumwe vanokwanisa kugoverana mari,
zvekupfeka nezvimwe zvese zvamungafungire
asi mukaona vakatorerana mukadzi kana
murume zivai kuti ukama hwapera. Nesu
vakadzi ngatizivei kuti kana tapinda musvitsa
kudai nzira dzatakambofamba dzavharwa.
Munoziva zvinoita satan here (vakamboseka)
unoita nguva uri pakutsvaka kuti veduwe
vezera rangu vapera kuroorwa ko
handingowaniwo mukomana ari serious here.
Mwari vanobva vakunzwa wawana
mukomana paya pobva patanga kuuya
dzimwe type dzine mweya weconfusion.
Wada munhu wako sanhasi chaiye uchienda
kubasa mangwana wonowana boss vachiti
kubva pese apa ndairwisana nemoyo wangu
asi nhasi ndati rega ndibudise zviri pamoyo
pangu. Uchaudzwa zvemari yauchapiwa apa
vane mukadzi kumba baba ava havatodi kuti
azvizive saka chindiudza kuti pane
pavachazoronga zvekuroora here kana kuti
kungodyirwa muhomwe senzungu? Umwewo
anoroorwa saizvozvi potanga miyedzo
yevarume vanokuchiva nekuda kwekuti uri
kuchengetwa zvakanaka. Vanenge vachitoziva
kuti une murume asi vanonyepera kukuda
zvekuperera chimira zvako uone musi
waunobatwa vaya vaiti vanokuda ndivo
vanotanga kuti mukadzi anodanana nevamwe
varume ari pamurume ipfambi. Anototiza
neupenyu hwake achitya kuti ko kana
ukazozviitawo futi wave naye. Ndinoda kuti
vanangu ngatikoshesei marriage kuitira kuti
vanotevera vese ava vaone kukosha kwayo.
Havasi vese vauya kuzoona nekutota
makuhwa asi vamwe vatouya nechinangwa
chekudzidza kureva kuti nemazuva, mwedzi
kana makore anoteverea vacharamba
vachitarisa kwamuri. Purity hatina kumboita
nyaya dzakaipa dzatakanzwa pamusoro pake
uyu, mwana ane rukudzo runodadisa tese
tafara nezuva guru rakadai ndichiti mwari
vakuvhurirei nzira muwanano yenyu
vagokupai zvese zvamunoshuvira muzita
raishe Jeso nemwanakomana nemweya
mutsvene, Amen.” Vamwe vakatevera
vakaparidza zvavo vachiverenga maverse
emubible but ndaivhiringidzwa nemazita
acho. Pane mamwe mazita ari mubible ekuti
chero ukanzi umanyore haufe wakamagona
manje isu vekubatira bible padenga taizotadza
kunzwisisa kana vakutsanangura zvinenge
zvichitaurwa neverse. Vana pastor vacho bible
vairiziva zvavo nekuti vaitoti anenge
achiverenga akakanganisa vaimugadzirisa
nemusoro. Tongoti sevakuru-vakuru vaive
vasangana panzvimbo pamwe vaida
kuratidzana masimba avo. Vanhu
vakakomborerwa zvavo nemashoko
akaparidzwa waingonzwa vachideerera “glory,
amen, Jesus.” Pakapera zvekuparidza pakanzi
paive nechoir yaida kutiimbira. Pandakavaona
vakomana nevasikana ava ndaiti pamwe vaive
vekuchurch nekuda kwemauniform avaive
vakapfeka. Vakaimba zvainakidza vanhu
vakatovakandira mari vamwewo vaiti vaida
number dzavo vagovabatsira kuti vawane
mukana wekutandadza vanhu pamitambo
vachipiwawo pashoma pekuti vararame.
Vemasteps vakambotenderera one round
vakadzoka vachigara pasi ndipo
patakasumudzwa tikanzi timire takatarisana.
Yaive yasvika nguva yekubatanidzwa manje
taibvunzwa mibvunzo iyo iya yakajairika
tichibvumira nehongu tese. Pastor vakazoti
“ndange ndichiisa mashoko mumuromo
menyu muchitevedzera manje mangwana
mogona kuti aaa handisi ini ndakazvitaura
ndaingoitawo kuti ndingagodii ini ndanzi
taura. Ndakukupai nguva manje yekuti
muudzane zviri pamoyo penyu. Chikonzero
chaita kuti mugutsikane kuti shuwa Innocent
ndiye achave murume wangu kana kuti Purity
ndiye achave mudzimai wangu kweupenyu
hwese. Handidi zvekuverenga pachipaper
mashoko ngaabve pamoyo timanzwe kuti
ayaka anoreva rudo chairwo
rwemandorokwati.” Vanhu manyawiwo
vakanga vakutoridza mheterwa nemhururu.
Ini zvangu ndaisatya chandaitoziva ndechekuti
dai ndaitenderwa kutaura zvese zvaive
pamoyo zuva raitodoka. Sekuru Farai manyawi
vakadeedzera “ngavataure neshona isu
vamwe hatina kuenda kuchikoro apa ndisu
futi vana mai vavo tinoda kuziva kuti
vachazogona kurarama zvavanenge vapupura
pano here?” Pavakaona ndavatarisa
vakabudisa karurimi nepaside pemuromo
zvekusvotesa. Vanhu vakaita noise
yekutenderana nezvavaive vataura zvikanzi
napastor “chinyararai neniwo ndoda kutogara
pasi ndivasiire stage ndinyatsonzwa mashoko
zvakanaka. Tikawanda kuno vanozochinja
mangwana vakuti voice hamuna kurinzwa
here nderapastor haasi Innocent uya.”
Vakaseka vachinogara pasi vakadeedzera kuti
“yave nguva yake Innocent.” Taive
tisingashandise mamicrophone ekubata
mumaoko taive neekupinner pahembe saka
takasara tiri two kunze kwevaitora mapicture
ndivo vaionekwa kumira-mira.

Ini: takakura tichiudzwa kuti kupinda


mumarriage kunoda kutanga madzidzana
moziva zvakawanda kuitira zvisazonetsa mune
ramangwana. Ini pachangu ndoona sekuti
panodiwa kudzidzana panenge pagara paine
kusagutiskana. Day randakakuona Purity
ndakanzwa sepaive nemunhu aindiudza
munzeve kuti ndiye chaiye uyu ukarasikirwa
naye warasa makomborero. Ndinokuda
zvandisingakwanisi kutsanangura ini
pachangu nekuti mashoko acho ndinoona
seanosiya imwe eighty percent yese yerudo
rwangu rusina kujekeswa. Zuva irori
rakandiremera kuti risvike ndaiona sekuti
igore pataiti muchato uchaitwa kwapera
mwedzi. (Ndichitarisa kuna mama nadad)
mama ndakutsvakira mwana musikana
wamusina kubvira makave naye ndinoziva kuti
sevabereki vangu maive makarimirira zuva iri
chifarai nhasi rasvika. Ndiri kufara ndapiwa
vamwe vabereki zvakare ndichiti handisi
mukwasha kwaMadondo asi ndiri mwana uye
ndinotenda vana dad nana mama
nekundiberekera ruva remoyo wangu. I love
you Purity handinyari kuzvitaura pakazara
vanhu kudai nekuti handisi kunyepa.
Ashie akandipa mvura yekunwa ndaive
ndakunzwa kuomerwa pahuro chero
pandakazopedzisa kutaura ndaive ndakunzwa
kuda kukosora. Vanhu vakaombera
pandainwa mvura vamwewo vaideedzera kuti
Purity ataure. Ndiyo nyaya yandaidira kuona
munhu wangu pamazuva aive adarika
pataichengetedzwa setaive vasungwa. Vanhu
vakatonyarara vamirira kunzwa mashoko asi
kumaspeaker kwakabuda kushinyira
kwekuchema. Vakakurumidza kuuya vana sisi
vake vakazomugarisa pasi ndokutanga kutaura
naye vachimunyengetedza kuti anyarare.
Pakamboridzwa radio vanhu vachimirira kuti
agadzikane. Zvakatora maminutes
angangokwana fifteen asi akatozomira
akabatwa nabest wake.

Purity: (nevoice remunhu aida kuchema) ndiri


munhu anoziva zvaanoda musi
wandakabvuma ndaive ndagutsikana kuti
ndiri kuita zvinhu in a right way. Handidi iwe
wega Innoe asi hama dzese
dzakatikomberedza nevauya kuzobatira
pamwe muzuva ranhasi nekuti varatidza rudo
rwavo. Ndinonamatira kuve muroora
nemwanasikana aishuvirwa namama makore
ese aya. Ndinoda kudzidza zvandisingazive
ndisave munhu asingasvikike kana
ndakutsiurwa. Hakuna zvakare umwe munhu
wandichapa moyo wangu ndokumbirawo
usandirwadzise Innoe nekuti kuzosvika patave
apa kureva kuti ndakaisa vimbo yangu nerudo
rwangu rwese pauri.
Vanhu vakaombera maoko, mama
vakatosumuka chaiko vakauya
kuzomumbundira ndokuita nguva
vachimupuruzira kumusana. Patakagara pasi
ndakanyatsonzwa kupera simba mumabvi iii
ndeimwe nguva yaityisa iyi asi ndakatenda
mwari kuti yaive yadarika zvayo. Pakaridzwa
song one tikasumudzwa zvakare kaflower girl
kakauya nemaring. Havana zvavo kuti titaure
mashoko edu takangoteedzera zvavaitaura ivo
tikapfekedzana. Vakabvunzana kana pane
aipikisa handina kana kurohwa nehana
ndaiziva kuti hapana aizopikisa. Zvediwo
hapana akasumuka pastor vakabva varova
kajive vakabvisa bhachi ndokuferner kumeso
kwavo nemaoko vachinyepedzera kuita
semunhu aidikitira.

Pastor: apa patave ndopandinodisisisa asi


panondiremera manje ndirege hangu here
vanhu vaende kunodya?

Ruzhinji: nesuwo ndipo patinoda musadaro


pastor.

Pastor: tongovoter vanoti tisadarikira


sumudzai maoko mudenga.

Vakapedza kutaura yave noise vanhu


vachisumudza maoko ese vamwewo
vaitosumuka kumira nemakumbo. Hamheno
hake Purity aive akafukidzwa kumeso ini
ndaiseka chaiko vanhu ava vaive varatidza
mufaro wandaisafungira ndichitarisa kuti
mhuri yedu yaive diki-diki.

Pastor: by the power vested in me by the


almight God I now pronounce you husband
and wife lawfully. Show us your wife and
kiiiiii……..

Vanhu ndivo vakapedzisa kutaura ini


ndichibvisa bhachi, tie nekuvhura mabutton
eshirt epahuro neepamaoko. Vemacamera
vaive vasebera chinzwa manyawi andaipiwa
nenoise yaiitwa nevanhu ndakanyatsonzwa
sendaive ndagarwa nemweya. Ndakablower
kiss kuvanhu ndikazotanga kuvhura manje kuti
ndione munhu wangu apa maoko aibvunda
nekunonokerwa. Hamuna chamakaona imi
ngirozi yandaive ndakatarisana nayo iyi
ndakazvibvunza kuti yaive yangu here. Aive
akatarisa pasi achiita seakarara zvake akabva
atanga kunzi “muka -muka iwe” naivo vana
mai Ashie vemisikanzwa. Ndakasebera
ndikaisa ruoko muhuro aimi zvaida kushinga
noise yacho yaibva yawedzera. Rumwe ruoko
ndakabata nechekugotsi ndikakotamisa uso
kuti ndikwanise kusvika pamuromo. Haana
kana kuita action zvake aive akatobatanidza
maoko ake. Ndakanokisser ndikakwanisa
kusveta muromo but vanhu vakaramba hanzi
“murikuita sekuti one ndiye arikuda tiratidzei
kuti munodanana.” Sekuru Nigel nasekuru
Farai vakasumuka chaiko kubva kwavaive
vakagara vakazobvisa mari zvikanzi “tiitirei
serious zvedu apa tarecorder zero tangai.”
Mai Ashie akauyawo akabvisa mari ndokuti
“iyi ndeye kungoti mbuya vandibatirewo
sekuru vangu zvandinogutsikana chaizvo kuti
he is in good hands.” Mai Mufundisi vakauya
vakasvika vakamuzevezera Purity ndokubva
vachiseka havo vakanogara pasi.
Akazvishingisa nemaziso aive akazara misodzi
achibva andibata mumashoulders nemaoko
ese ini ndikapotesa ruoko kumusana kwake
rumwe ruchinobata gotsi kuti
ndigonyatsokumusebedza. Vanhu
havagutsikani veduwe vaive vodeedzera kuti
vaida twenty minutes takarumana kudaro.
Ndaizozvigona here ndaitonzwa kuti nyama
dzaive dzoda kuita misikanzwa so
ndakamuregedza hangu ndikamubata ruoko
tikamira takatarisa kuvanhu. Sekuru Farai
vakaenda kunotaura naPastor vakazouya
pandaive vakati “Pastor vange vachibvunza
kuti pane humwe hurongwa hupi vange
vachida kuti vanhu vaende kunodya then
mozodzoka moita zvekucheka cake?”

Ini: isu tiri kutoenda izvezvi zvekuti chikafu


togona kutodyira munzira tichienda kuairport.
Ngavangopedzisa zvimwe zvese zvozosara
zvichiitwa nasekuru Nigel handiti imi tiri
kuenda nemi?
Farai: ndotevera mangwana mai Natie
azobvuma kuti mama vake vavepo kusvika
apona.

Vakadzokera nezvandaive ndataura tichibva


tatonzi ticheke cake. Tisati tadyisana
takatanga taendesa kuvabereki ini ndichinopa
mama Madondo uyu Purity akanopa mama
nadad Mapanzure. Pakudyisana hanzi
naPastor “hapana munhu anongotsveta ndiro
ofuratira tinoda kunzwa kuti
muchanodeedzana kuti chii pakudya.” Ndini
ndakatanga zvangu ndichisekerera
ndakatarisa kumeso ndikati “babie handisi
kuda kuti ubike nhasi ndaorder food huya
udye ndichimassager makumbo ako.” Vanhu
vakaseka ndikatora hangu piece isina kukurisa
ndikamudyisa. Akataurawo zvake hanzi
“ndakupedza kubika huyai tinzwe kuti salt
yandaisa yakanaka here?” Handina
kumbofungira kuti angataura zvakadaro
ndakasekawo achibva atora zipiece zihombe
vanhu vakati “wagona murume anofanira
kubikirwa achidya achiguta chikafu chosara
mundiro kwete kunhanzva.” Vanhu
vakazogoverwa macake aive akawandisa
mazihombe futi kana paive nevenhafu
ndofunga yakapera yese. Panguva iyi ndipo
pakaenda Purity akanopfeka rimwe gown rake
asi takatanga tambotorwa mapicture
akapfeka rekutanga. Paakadzoka achinja hama
dzepedyo dzaive dzatoudzwa zverwendo
rwedu saka dad vakasumuka vakatenda vanhu
nekuuya kwavaive vaita. Takanotorwa
mapicture nehama dzese vachichinjana
tikazoenda zvakare kunochinja kuti tichienda.
Aive asingazivi zverwendo Purity
akatoshamisika paakaudzwa agoti kuchema
achinobatira pana mama vake. Naivowo
zvaivaremera kuparadzana naye vakachema
asi vaimushingisa kuti kwaisave kuguma
kuvaona taizovaona zvakare tadzoka. Mbuya
mai Munya nana sisi vake Purity vaive vagona
basa ndivo vakarongedza kabag kake kadiki
zvese nepassport iye asingazive. Vana mama
nadad vakauyawo kuzoonekana nesu
vakandiudza kuti musi wataizodzoka
ndaifanira kuvaudza nekuti Purity ainotanga
kusvikira kumusha kuMberengwa kana
vapedza zveikoko tozouya kutown. Nemunhuk
wangu aichema takaonekana neruzhinji
rwevanhu vaipururudza nekuridza miridzo
tikaperekedzwa nemota yemapurisa yaive
mberi isu tiri pamashure tina sekuru Nigel
naAshie ndivo vakanotisiya kuairport.
Hamheno havo kana vakasara
vachizevezerana vanhu ko dzaive nhema here
kuti taienda rwendo rwekunofugurana hembe
zvedu.

End of chapter 12

Love you guys


CHAPTER 13

*Purity*

Vanhu vandaifamba navo kuenda kuvenue


vaiseka havo asi ini ndakabaikana nekuchema
kusvika tasvika. Hakusi kuzviregerera kwete
ndaingonzwa kuti dai ndaridza mhere.
Mudumbu makatanga kumonya ndikatanga
kusimukira ndichisunga kuti mweya usabude
ndaisaziva kuti waive mweya here kana
manyoka. Mbuya mai Munya vakaseka
vakachema kani hanzi “zvauchasvika
wakunhuhwa toilet ugoenda mbiri kuti
mwenga akapazha.” Mai Ashie nekunerimwe
divi hanzi “fear yacho yakanyanya mbuya
vangu muchaenda kumwedzi imi.” Takasara
tosvika kuvenue ndakunzwa mabayo
nekudzoreredza zvaive mumudumbu.
Patakaburuka tikanzi tiende kunodya
ndakasvika ndichikumbira kuratidzwa kwaive
netoilet aimi ndakanoita semunhu akarara
adya zhizha. Handina kumbonwa tea
nevamwe nguva yese yakapera ndakugeza
patsva nekugadzirwa. Handina kuziva kuti
vana sisi vangu vaive varongedza amwe
mapant angu ndofunga vaive vatozviona kuti
munhu uyu achaita mudumbu.
Handina kutaura zvekuzara kwaive kwakaita
vanhu nhai-nhai vaive vabvepiko vamwe
vaitotengesa zvavo kuita misika mukati
imomo. Mazariro acho vanhu vanenge
vakatotadza kukwana kugara pamachair
nekuti vaive kumashure vaive vakamira.
Muchato unoda wauya kuzoona zvako ayewa
unonakirwa zvekurasa dembe kwete kuti uri
iwe muridzi wenyaya ini ndakanetseka
kwazvo. Noise yaiitwa nevanhu
vachipururudza nekuridza muridzo yaitove
yekuti “toda kuona zvakadzika-dzika
musatikanganisira mafaro.” Ndaive
ndakavharwa zvangu kumeso asi ndaikwanisa
kuona zvaiitika zvese ndosaka
ndaizonyanyawo kutya nekubatwa nenyadzi.
Ko ndaizivei kuti muchato wacho waive
wakasiyana neyataimboona kuchurch?
Kuchurch kwedu vanhu vaingobatanidzwa
vachiverengerwa zvakanyorwa mubook
vachitevedzera izvi zvatakaitiswa ndaive
ndazviona pana mai Natie asi ndakangoti
maybe inyaya yekuti vaive vasina church
yavaive vakamira nayo. Ndakanzwa sviwiwi
kuti tsvati mudumbu muchirira nzara nekutya
zvese. Hapana kana akambondinyeurira kuti
ndichasangana nezvinorema kudaro apa
vanhu vaive vanyarara kuda kunzwa
zvandaizotaura. Innoe aiziva hake
akanyatsotaura mashoko airatidza kuti
akatora nguva yake kumarongedzera. Voice
rake raive rakazara ushingi nekuzvirereka dai
ndaisave pakutya zvangu ndaidei
ndakanyemwerera. Ndototenda mai
Mufundisi vakauya vakandishingisa chero
mamwe mashoko ndivo vakandiudza
ndikawana pekutangira. Vakamira-mira mai
Mufundisi ndofunga vaiedza kugadzirisa
mashoko avaive vambotaura kuna mama. Dai
pakaita wavakaudza kuti mai Mufundisi vaive
vamboramba zvekuuya kumuchato vaigona
kutonzi vanotaurisa mama vangu. Varipo
vanhu vakadaro vanoti kana vasvika
pakaungana vanhu havazviratidziri zvavari
chaizvo unototi vane rudo.
Muchato izuva rimwe zvawo asi iii unorema
kuita semapedza week rese
muchipururudzirwa nevanhu. Pandakaona
tapfekedzana maring ndakaziva kuti takuenda
pakiss then totopedza. Ndaive ndaneta ini
aingokisser kwacho chandaida kuwana
mukana wekumborara musoro waive
wakutema. Mutsiba wairwadza ndaive
ndapedza nguva refu ndakatarisa pasi kuita
segwayi. Nzara handichatauri ndaitoti
ndaizotaura nambuya mai Munya vondiitira
porridge dete-dete kuti ndibate ura.
Chandaifarira hangu ndechekuti paizopera
muchato ndaidzokera kumba kwedu. Taive
tisina kumbotakura mabag zvinova
zvakandipa tarisiro yekuti hapana
kwandaizoenda. Ndaive ndakutya ini handiti
vana mbuya vaiti ndikangoenda
kwaMapanzure ndaitozonomanikidzwa kuti
ndirare naInnoe. Zvidya zvangu zvaipfura
kubva musi weChina chaiwo asi
zvepamuchato apa zvaive mberi
ndaitombobirira kupuruzira kuti zvinyarare.
Yakaitwa kiss yacho aaa nyama dzemuviri
hadzimbozvitarisi zvekuti uri pakuchema izvo
dzakatoita manyawi. Pekutanga ayewa ndaive
ndakangozvimirira hapana chandakanzwa asi
pepiri pakanzi nevanhu tibatane ndainzwa
kunyerekedzwa pamazamu paisundidzirwa
nekufema kwaiita Innoe. Iye Innoe wacho
kuzopuruzira kumusana kwangu kani
hamheno zvaingoitika kufema kwaive
kwakuda kundiremera. Ndakaona mama
vangu vabata kumeso vakavhara nezambia
hamheno kuti vaiseka here kana kuti
vaichema. Vana mama vakuru ndivo vaiseka
zviri pachena kutorovana maoko chaiko.
Mukoma Allan vaive vakamira pamusoro
pechair vachikwamatata manje zvaingoperera
muchaunga imomo zvisingasvike
kumaspeaker. Vana sekuru baba Natie
nasekuru baba Two handina hangu
zvekutaura pamusoro pavo asi
vakandiomesera zvavo ndivo vakauya
nepfungwa yekuti tikisane takabatana.
Zvakanoitika futi pakutorwa mapicture
hamheno kana Innoe asina kunzwa chipfuva
nekundisumudza. Picture randakanyanya
kufarira nderatakatorwa tiri five ini, Innoe,
mama Mapanzure, baba Mapanzure namama
vangu. Ini ndaive ndakamira pakati pana
mama vakaisa vakakochekera maoko angu ese
nemuhapwa. Innoe aive akamira pakati
pamama Mapanzure nababa vakamubatawo
sezvandaive ndakaitwa. Pakutorwa mapicture
ndakatombosekerera vanhu vaitaura
zvavanoda ukuwo mama vangu pese
pavaiwanira mukana vaibva vandimbundira.
Pachokwadi chaipo ndakadzvanyirirwa ini
nekuitwa musengabere hazvisi izvo
zvandaifunga kuti zvichaitwa kana muchato
wapera. Ndakangonzwa ndave kunzi
ndinogeza ndichinje hembe dzaive dzinana
mai Ashie. Ndaichinja chii futi ini ndaive
ndichangobva kupfeka rimwe gown. Zvemusi
uyu ndakageza kani kuita sehove inogara
mumvura. Ndakatanga kumbaka kuseni,
ndikageza pandaiita mudumbu, ndikageza
pandakapfeka gown rechitwo then apa
zvakare ndakanzi ndigeze ndokuitwa make-up.
Dressing yacho ndiyo yakamboda kundivhinga
nekuti ndakapiwa jean trouser reblue,
sneakers ewhite, top yewhite nekajacket
keleather kegolden colour. Bvudzi rakachinjwa
masungirwo ndaive ndabviswa mapin
nechicrown. Semuroora mutsva ndaitarisira
kupfekedzwa hembe dzakatsiga ndosunga
dhuku nezambia. Tichibuda kwataipfekera
takawana hama dzese dzepedyo
dzekwaMadondo nedzekwaMapanzure
dzakatimirira ndipo pakarova hana yangu
zvekuti ndakapotsa ndadonha. Vanhu vaivepo
ava kuti tionekane ndakanzwa nekupiwa
mahug ndipo pakasvika Innoe akambundirana
namama vake ndokutarisa nguva akati
“tofanira kubata flight yathree so toonana
guys pakudzoka mutinamatirewo tifambe
zvakanaka.” Flight as in kunokwira ndege here
ndakavhunduka ini sei asina
kumbondiudzawo? Ndakanowira mumaoko
amama ndikati “mama handei kumba kwedu
ngatitizei.” Unenge wapererwa veduwe
zvandakaita ipapoka hamheno kana zvaizobva
pamiromo yevanhu, ndaizosekwa chete
kweupenyu hwese. Ndakachema vanhu
vakauya kuzondibatirana kuti ndiregedze
hembe yamama yandaive ndaomerera kuita
seichadambuka. Ivo vaingodeedzera misodzi
ichiyerera “chirega kudaro mwanangu
ndozokuona wadzoka.” Vaitotaura zvekudzoka
ini ndaideedzera kuti ndaisada kuenda
kwacho.
Ipapa ndipo pandinoti ndakaitwa
musengabere nekuti vanhu
vakangozondibatirana ndokundiisa mumota
vakalocker madoor kuti ndisabude. Havana
kunzwa tsitsi nekuchema kwandaiita
vakatosimudza maoko wachiwaver asi vazhinji
zviso zvavo zvaive nemisodzi yaiyerera
nematama. Innoe akapinda mumota
akazogara kumashure kwandaive achida
kundimbundira ndakabva ndamusundidzira
maoko. Hazvina kutadzisa rwendo vakaimutsa
mota baba Two vakaridza hooter tichibuda
pagate takarumana nemota yemapurisa
yaitiperekedza. Iwo mapurisa akatadzawo
kushanda nemutemo here handiti ndiro raive
basa ravo kuona kuti vanhu havaitiswe
zvavasingadi? Ndakati ndonyeiwa hangu
munzira shuwa baba two naInnoeka
vaionererwa vanhu.

Baba two: after this process face inenge


yakuita seyakasonwa mastitch.
Wakamborumwa neimbwa inopenga here
ronda racho haripori.

Ashie: moreva chimbwamupengo here kule?

Baba two: (vakaseka vachiwedzera speed)


iyoyo chaiyo ndakanzwa kuti iri dangerous
ukasarapiwa unotofa.

Ashie: (aisaziva zvaitaurwa) havanyepi vanhu


kule ikatopanduka imbwa inourayiwa.

Innoe: manje ini handitize I’m going to face it


chero ndikakuvara ndiko kuti muone kuti ndiri
soldier.

Ashie: asi kwamuri kuenda kunochengetwa


imbwa here?

(Vakaseka vese vakarovana maoko


ndokumuvhara Ashie vachibvumirana
nemanyepo avo aive pachena iwayo.)

Baba two: hapana chakanaka chinouya nyore


manje une number dzekuchipatara here
maybe uchaisa madhende muhembe
wonopinda kumaternity ward kune bed
rakachengeterwa my seniour wife.

Innoe: munenge munotodawo kuti ndirumwe


ndife imi ko kana tikawana imbwa dzacho
kusina dzinopenga pamwe nguva yese iyi
vakadzitrainer kuve friendly.

Baba Two: good luck (vakaseka apa vachirova-


rova paseat pavaive vakagara).

Patakasvika kuairport handina hangu kuita


nharo kubuda mumota ndaive ndabata kabag
kangu kandaitoshaya kuti kakarongedzwa nani
uye nguvai. Misodzi yaibuda zvayo apo neapo
asi kwete zvekuti vanhu vangatoungana
kuzoona. Ashie ndaive ndisina kumuona
kwenguva refu zvangu asi airatidza
kusununguka chaizvo akatouya pandiri
akanditi “mbuya mufambe mushe tozoonana
madzoka.” Ndakagutsurira musoro
nekwataienda kwacho ndaikuziva here
ndaingoteverera. Vachingobva vana baba two
takanzi tiuye tigadzirire nguva yedu
yekusimuka yaive yakukwana. Akatora kabag
kangu Innoe akabata zvese nekake
ndikatevera semuswe kumashure kwake
waingoona nekupfeka zvakafanana kuti taive
pamwe. Ndaive ndisati ndambokwira ndege
so process inoitwa paairport ndaisaiziva
hangu asiwo kana une pfungwa zvako
hauzorasika unenge wakungotevedzera
zvinenge zvichiitwa nevamwe. Umwe mukadzi
aive pamashure pangu akandikwenya akati
ndipukute kumeso kwangu kwaive nemaline-
maline. Yaive misodzi pamwe Innoe
aingoonawo zvake achinyarara kutya
kurumwa nechimbwamupengo
sezvavaindinyeya vachiita nababa two.
Mukadzi iyeye ndiye wandakanogara naye
patakakwira haa apa ndakanyatsoona kuti
Innoe akasvotwa chaiko. Ndaive ndisina
zvekutaura naye ini kutya kwaive kwakazara
mandiri. Pakusimuka ndakanzwa moyo kumira
asi nekuda kwekuti ndaive ndisina kumbodya
ndakangobuda furo randaipfira patissue
kusvika moyo wagadzikana. Ndakatozorara
hangu ndikamuka patakanzi tisunge mabelt
ndege yaive yakuda kumhara. Half past five
taiburuka apa takasvikirana nemvura yainaya
futi saka paive pasina nguva yekumbomira
uchiona nzvimbo. Airport yaive yakanaka
zvayo nekukura zvese izvi zvaisada mahours
kuzvitarisa. Innoe veduwe kana aifunga kuti
ndobiwa here kana ndotiza hamheno munhu
kungomhanyira kundibata ruoko tikadzika
masteps takadaro. Ndini ndega ndaisaziva
zverwendo urwu nekuti ndakashamisika
tichigamuchirwa nevarume vaviri vaive
vakabata maumbrella. Vakatotipa one
tikavharidzira mvura ivo ndokushandisa imwe
vachititungamirira mukati matakanoita
clearance process ndokuzotitungamirira
kwaive kwakamira mota yavo. Yaive mota ine
zita relodge vakatotivhurira madoor tikagara
kumashure ndokumbotaura nesu vachiita
welcome remarks tikazoenda hedu. Paive
pasina nyaya takafamba distance hombe
kwazvo zvekuti takatozosvika kwakuda
kutanga kusviba.
Magamuchirirwo atakaitwa pagate kani
vanhu vaigona kubata macustomer ivavo.
Takapiwa maruva tikatungamirirwa
nevasikana vaive vakapfeka mauniform
kuenda kureception. Vachicapture madetails
edu mucomputer taive takagara
paminyorododo yemasofa tikatobvunzwa
kana paine zvataida kunwa. Ini ndakaramba
hangu chero mvura ndaitotya kurutsa sezvo
ndaive ndisina kudya. Innoe akaisirwa wine
akanwa zvishoma ndokusiya pataive
takuendeswa kuroom kwedu. Zvese hake aive
akaita kubooker akatobhadhara apa
kwaingove kuconfirmer kuti zvaive musystem
ndizvo here zvaienderana nezvaaitaura.
Maroom acho kani ndiyo heaven on earth
yandaive ndakatarisana nayo iyi. Well
decorated kani mudining macho maive neziL
shaped couch raibata macorner maviri.
Curved tv hombe, table nemachair acho
eight, two door silver fridge, kabar kaive
nechepamusiwo chaipo pataipinda napo
kozoti book shelf. Ndaiongorora zvese izvi
ndakagara hangu pacouch uyu Innoe aive
adarikira kuroom yemberi. Akadzoka akasvika
achigara pedyo neni ndokuti “it has been a
long week babie but finally zuva redu rafamba
zvakanaka. Rega nditi congratulations
(akamboseka achigadzira bvudzi raienda
kumeso kwangu) vavengi vanyara hapana
chinoramba kana mwari vatendera.
(Akasumuka akatora menu yaive patable)
tosiya taorder food handiti tichienda
kunogeza?” Aipenga uyu kunogeza nani
ndakakanuka ini ndichitarisa kuside akaseka.
Chikafu akasarudza iye akafona achivaudza
kuti vagotivigira. Akazoti akuenda kunogeza
ini ndozoendawo achibva atobuda paive
pasina zvekumirira mhinduro nekuti ini
ndaiita sendaive ndakasonwa muromo.
Munamato wangu waive wekuti andinzwire
tsitsi zvangu ndirare mudining umu ndaive
ndatoona couch uri mubhedha wakafanirana
neni chaizvo. Vechikafu havana kumbononoka
vakauya Innoe achangopinda kuseri
handifungi kuti aive atotanga kugeza.
Ndainzwa nzara yekuti ndaitofanira
kuzvifungira ndega so ndakatora changu
chikafu ndikadya. Handina kunyanya zvangu
ndakanga ndakunzwa mabayo asi zvaive nani.
Innoe akadzoka ndatopedza akaedza kuti
ndiwedzere kudya sezvo paionekwa kuti
ndaive ndadya zvishoma asi ndakaramba.
Airatidza kupererwa chaiko mongoziva
zvazvinoita kana uchitaura nemunhu anenge
asingapinduri. Ndakanopinda padoor raaive
ashandisa ndikanobudikira muziroom raive
neziking size bed rakakwirira kuita seraive
nemamattress maviri. Raive rakashongedzwa
zvinoyevedza nezicoverbed raive rakanyorwa
nered kuti sweet love pakati-kati chaipo asi iro
raive rewhite rine maruva akasiya-siyana.
Kungotenderedza maziso chete mhino
dzichidya kudya kwadzo waigutsikana kuti
paive pakarongeka apa. Toilet nebathroom
zvaive zvisina kubatanidzwa ndakanosiya
mvura ichibudira mutub ndikambomhanya
kunoita wiwi. Pandakapinda mubathroom
pekutanga handina kunge ndaona kuti Innoe
aive atowacha pant neboxer short rake
akayanika kana kumbonyara zvake.
Ndakabvisa hembe ndikanyurira mutub yaive
yazara nemvura yaidziya ichinhuhwirira
nefoam bath. Ndaingoda kubvisa ziya
nekumutsiridza nyama dzangu dzaive
dzakarukutika tsvina zvangu ndaive ndisina.
Maminutes mashoma andakagara mumvura
ndakatonzwa zvihope mumaziso izvo
zvakandipa kuti ndibude ndikawacha pant
rangu. Pekuyanika manje pakandinetsa
ndakadzungaira ndaisada kuti Innoe arione so
ndakasiya ndavhurira mvura kuti ibude mutub
ndigocleaner ndokubuda ndichida kunoyanika
mutoilet kuseri kwetank remvura yekuflasher.
Hapana kana chandakambofunga ndaingoti
Innoe aive achiri kudya manje madoor etoilet
neebathroom aive akatarisa mubedroom ese
saka waitodarika nemo kana uchida
kushandisa one of them. Ndakavhunduka
ndichisanganidzana naInnoe akagara pabed
aive agara hake abuda kunogeza asina hembe
kumusoro paakatouya kudining aive neshort
chete. Dai ndaive nepant nebra zvaive nani
regai ndingoti ndaive musuit yemuroyi.
Ndakakanda chipant pasi ndichiti nditize
ndidzokere kwandaibva asi ndakaita
munyama wekuti chipant chakanodonhera
munzira ndikatsika ndokutsvedza
ndichinorovera pasi nemabvi. Ndakanzwa
sendaive ndatyoka makumbo ese ukuwo
maoko aInnoe aive amonera nepadumbu
pangu achibva andisumudza. Ndakakava-kava
makumbo ndichida kuti andiregedze asi
akatoita simba akanogara pabed ini ndiri
pamakumbo ake. Zvekunyarara zviya aive
manyemwe ndakauvhura wani muromo
kukumbira ruregerero ndisina mhosva
yandaive ndatadza.

Ini: please ndiregererewo, ndokumbirawo


kani undiregedze.

Innoe: mira ndoda kuona kuti hauna kukuvara


here.

Munhu aitaura achinyatsondigarisa pakati


pemakumbo ndokundipinner kuno mberi
makumbo ake achienda pamusoro peangu
zvekuti ndaive ndisisakwanisa kurwisa.
Akataura achifambisa maoko kuuya
kuchipfuva kwangu akati “mira tione
wadonha zvakaipa pa…”

Ini: ndiregedze nhaiwe ndoda kunotora


hembe dzangu, usandibata uchidaro aa.

Innoe: Purity why uchiomesa moyo kudaro?


Wadonha, apa I’m trying to help iwe uri
kungorwisa.

Ini: (kuchema musi uyu kwaive kwangu


yakadonha misodzi) ndotaurei newe ndakadai
handizvidi kani ndiregedze apa. Handina
kumbokuvara chipfuva ini ndarovera nemabvi.

Innoe: handisi kunzwisisa zvauri kuita haudi


kutaura neni chiiko chiri kumboitika?
(Ainzwikwa kuti aive atsamwa asi rumwe
ruoko rwake rwakandibata zamu ndikanzwa
kurwadziwa) waiti timirire muchato ndikati
fine ndokutevedzera zvaunoda now wakuita
sekuti ndakuba hapana chatinokwanisa
kutaurirana unongooma musoro. Hapana
zvandataura zvakawanda ndangoti tione kuti
hauna kukuvara here.

Akandiregedza kuda aive aramwa achifunga


kuti ndaizoramba ndakagara but ndakadhonza
morning gown raaive aisa pabed
ndikazviputira naro asi handina kukwanisa
kutiza aive andibata futi tikamira takatarisana.
Akaisa maoko ake kumusana kwangu
akandibata zvine simba aikaka munhu aive
akutonhanzva muhuro mangu achienda
nekunzeve chinzwa kufema aitoita seaive
abva kumhanya. Ndakaedza kumusunda
akandibata maoko ese ndikatendeuka kutarisa
mberi apa gown raive ravhurika mberi kwese
sezvo ndisina kuwana mukana wekurisunga.
Akabata maoko angu ese neruoko one rumwe
akarushandisa kufukura gown kumashure
ndikanzwa mbaaa gadziko achiita semunhu
anosvinyanga musuva wesadza. Ruoko rwaive
rwakutomhemhaira pese-pese ruchipinda
mumupata kuti akwanise kunobata ikoko
kunyika nyoro. Ndakaviruka ndichinoruma
ruoko rwaive mberi urwu ndikanzwa
achiregedza kumagadziko. Akabata gumbo
rangu rekwaleft akandisumudza
ndokunondiwisira pabed achitevera
pamusoro. Ndaive ndaregedza pandaive
ndakaruma izvo zvakamupa mukana
wekubata makumbo angu ese. Mhere yoga
ndiyo yaikwanisa kundibatsira apa asi
ndakakundikana nekuti akabva aisa muromo
wake pane wangu. Ndaive ndaneta
musakanganwe kuti zuva rese ndaive ndisina
kumbodya zvakakwana. Ndakaedza kubata
nzeve dzake kuti ndidhonze nekutswinya asi
maoko aive asisina simba zvachose-chose.
Ndinenge ndaive ndakuda kufainter chete
nekuti mweya wandaifema waipisa.
Handinyatsoziva zvakaitika ndosaka ndichiti
ndinenge ndakambofainter. Ndaionera kure
achidzikisa short rake ndokuritsika-tsika
kuribvisa mumakumbo. Ndakavhara maziso
ndaonera mumadzengerera pakati pake paiita
sepevanhu vaviri kukura. Chinhu chisina
kubvira chamira kubuda misodzi yaingoyerera
chero zvangu ndaive ndisina simba rekuridza
mhere. Paakaenda pamusoro pangu
ndakataura nevoice rezeve-zeve ndikati
“please don’t do this to me I’m dying.
Handina kumbodya nhasi, musoro wangu uri
kutema, ndiri kurwara …” Handina kunzwa
zvaakataura asi akatotaurira panzeve yangu
chaipo achibata-bata kuzasi kwangu.
Ndakakava zvisina simba akataura futi asi
handina kunzwa ini ndipo paakanyatsoenda
pamusoro pangu ndikanzwa kubaiwa-baiwa
muzvidya. Akasumudza makumbo angu zvese
nechiuno mudenga ndikasara ndakarara
nemusana chete. Makumbo akavhurwa kuti
bherengende ndofunga akatoona map yese
zvake sezvo ndaive ndisina pant. Zvainyadzisa
kani naiwo musvuwu wandaive ndakarova
kuzasi ikoko kwaitoita seganda redzvinyu.
Ndichiedza kugainer power ndakanzwa
haikona kani chero abaiwa nepfumo haasvike.
Akashandisa simba rake rese kunyatsoti
dyooo apa aive akabata muchiuno mangu
akasanganisa maoko zvekuti ndaive ndisina
mukana wekupunyuka. Ndakaruma
pamusoro pehuro pamajaws apo
ndichibatanidzira nebhonzo akaridza mhere
ave iye. Simba randakanzwa ipapo hamheno
kuti rakabvepi ndakatomboti pamwe ndaive
ndabatwa nedemon. Ndakamurova
nemambama musoro nekumeso ndichichema
ndikati “ndoda kuenda kumba handichadi
ndati handichadi.” Akakwanisa kumuka
akauya pandaive haana kumboteerera
kurohwa akabva andimbundira. Ndakada
kurwisa nemakumbo asi ndakatadza ndipo
pandakanyatsonzwa kurwadziwa kuchibata
zvese nechiuno ndofunga pandairova Innoe
ndaive ndambobatwa nechiveve.
Akandidhonza ndiri pakati pemakumbo ake
achida kunozembera kumadziro but haana
kuzokwanisa akangondimbundira akaisa
musoro pabendekete pangu tese taive taona
zvaive zvaitika. Akandibata zvakasimba
kutonzwa kudzipwa neruoko rwake rwaidarika
nepahuro pangu. Ini panguva iyi
ndaizvibvunza kuti saka izvi zvairevei ko pain
yandainzwa iyi yairamba ichiwedzera ndaive
ndichiri right-right here kana kuti ndaive
ndatodambuka? Innoe akademba-demba
achinzwikwa kubvunda akazoti “hazvisi izvo
zvandange ndakaronga Purityk ndange
ndakuvigira gown kuti upfeke sezvo tauya
tisina zvinodziya. Nda..nda..nda……” Uyuwo
taive takafanana pakuchema pakabva pashaya
ainyaradza umwe.

End of chapter 13

Love you guys


CHAPTER 14

Kuairport zvakwaitoita sekure


ndakambofunga kuti dai takatora imwe room
palodge patakachatira ipapa zvaitofamba.
Kuenda kuSA kure kwese uko wakangotarisa
munhu apa Purity wacho aive akanakira svoto
musi uyu. Ganda rake raiyevedza dai aive
nyama aidyirwa kuhigh table chaiko. Sekuru
Nigel vakaedza kunditandadza nenyaya
dzataiwanzirana asi ndakasara padiki-diki
kuvaudza kuti vawedzere speed. Purity aive
aramba kuzembera pandiri tiri mumota
ndaitotarisira kuti mundege ndaizofamba
ndakamubata mumaoko angu. Ndaitoda
kufamba ndichimusofter zvekuti pataizosvika
kwatainopindana pakati pemakumbo zvaiita
nyore ajairawo kuve mumaoko angu. Kubva
kumashure kwese uko ndisati ndabvisa roora
nepandakazobvisa aimboita zvimwe
zvandaiona ndega kuti dai akasangana
nemunhu asina moyo murefu rudo rwacho
hapana kwarwaisvika. Zvaaive muri mese
nezvaaiita muchitaura pafoni paive
nemusiyano mukuru. Ndaingozvitora pakuti
aityira kuti akandibvumira kutamba nemuviri
wake ndaizotadza kuzvidzora ndikamubata
nguva isati yakwana. Iyi yaakazoita mundege
ndiyo yakandipedza rudo rwese panguva
iyoyo ndikademba kuti dai raive bhazi ndaiti
vamire tiburuke tidzokere zvedu. Ini ndaiona
zvakaipa zvangu but rurimi rwangu
rwairemerwa kuti nditaure mashoko
anorwadza umwe munhu pamoyo. Shuwa
munhu kukwira mundege kunogara nemunhu
waasingazive kwaive kufungawo here ikoko?
Ndiyoka nguva yataifanira kufamba tichitaura
kuti zuva redu taive tariona sei nekutoronga
zvimwe zveramangwana redu tichifambisa
rwendo. Handina kana kurara mundege ndaiti
ndikamutarisa kudai pfungwa dzakawandisa
dzaizara mumusoro mangu. Zvaiitwa naPurity
yaive fear yaitoonekwa chero neaisamuziva
but pane two types dzefear. Yekutanga fear
yakajairika ndeyekuti unenge uchiti zvemberi
ndozvikunda here nekuti unenge usingazive
zvauri kunosangana nazvo. Yepiri ndeyekuti
unenge uchiti ko panobuda chokwadi
ndichanzi chii. Iyi yepiri ndiyo yandaive
ndakuona pana Purity nekuti peseka
pataidanana aiita semutsvene pamwe aive
akatomboitwa hake. Kuziva varume haisi
mhosva vamwe havazvitarisi zviya asi
chakakosha kutaura chokwadi munhu
asazotarisira zvikuru pauri. Purity airamba
kubatwa ruoko chairwo saka pakadaro
ungazotarisira here kuti angange
akatombofukurwa hembe dzemukati?
Rwendo rwatakaita more than two hours
ndirwo rwakatoita rupfupi nekuda kwekuti
ndaive ndakawandirwa nepfungwa. Kubva
paairport kuenda kulodge aive akatarisa
panze ndofunga vanhu vataive navo vakangoti
ndomashura aya. Zvaisaratidza kani kuti taive
parwendo rwekuenda kuhoneymoon. Pane
imwe couple yandakambokwira nayo kuenda
kuSA mazuva andaigadzirira kuvhura company
yangu, ayewa ndirwo rudozve vanhu
vachiyemerana zvavo. Edu aya
ndakamafananidza nemahumbwe ndiro shoko
rega raikwanisa kutsanangura. Semunhu aive
nemoyo wekushingirira uye aida kuziva
chaikonzera zvese izvi ndakangonyarara
tikasvika hedu ndokugashirwa zvakanaka
tikaratidzwa kumaroom edu. Purity haana
kumbondidya zvake directly sezvinoitwa
nevamwe vasikana vekuti kungodanana chete
akutokumbira kuti umutengere zvakasiyana.
Izvozvo zvandaiita ndega nekuda kwerudo
ndaibvisa mari svinu. Muchiona vamwe
varume vachizoti kana awana mukadzi
wekuroora akuomera-omera nemari pamwe
pacho anenge atovhiringidzwa newaanenge
atanga kusangana naye ongozofunga kuti
vakadzi vakafanana. Mari yandakabvisa
palodge apa pataienda kuhoneymoon
handichatauri zvangu asi munhu wacho
wandaienda naye aitoita sekuti aive atakurwa
ari muhusungwa. Toti rudo rwaizopera
pakadai munofunga kuti umwe
wandaizoroora ndaiita manyawi here ekuenda
kuhoneymoon anenge aitofira mhosva dzisiri
dzake. Kunogeza akaramba kuenda neni
izvowo zvainzwisisika hapana paaizotanga
kundibvisira hembe nezuva rekutanga.
Ndakanogeza ndikadzoka ndichiwana
atopedza kudya but kudya kwacho aive
angobata-bata zvishoma. Akaendawo
kunogeza pakasara pachipinda mukomana
akaknocker achiti aive aunza salt. Ndakatoti
ndawana mukana ndokukumbira gown rekuti
Purity agopfeka tichitandara hedu sezvo
kwaitonhora. Ndakatobvunza kana paive
nemadisc emamovie anonakidza
akandiratidza paaigara mudrawer raive paside
peTV stand. Ndaida kuti titange tatandara
anzwe kusununguka ko paive pasisina
chekumhanyiraka taive tasvika zvakanaka
kwataienda chinova chinhu chaive
chakakosha zvakanyanya. Muchato futi
unonetesa aive aswera akapfeka shangu
dzakakwirira kozoti kusimuka nekugara
kwataiitiswa raitove basa iro rinorukutisa
muviri. Kugeza kwataive taita uku ndiko
kwaizotibatsira kupedza maneto
kusanganisira nekutandara zvekuti
pataizonorarawo taizorora kwekanguva
tozoita zvataive tafambira. Ndiho hurongwa
hwandaive nawo hwekuti titaurirane
honeymoon yedu yaifanira kutidzidzisa kuve
vanhu vanoita zvinhu mukuwirirana. Aifanira
kutaura zvaaida iye kana aizoti first day hariite
aive akaneta yes ndaive ndazvipira ini kuti
ndomupa mukana wacho. Chaindipa kudaro
ndechekuti first day randakamuona Purity
ndakamuda nemoyo wese. Ndaizofunga futi
zvaakasangana nazvo murudo rwedo chero
pese paaita zvake zvekubehavour semwana
mudiki ndaibva ndazvitora sekuti aive achiri
nekakutya. Hamhenowo chakangondituma
kuti endesa gown kubedroom agouya
kudining akamonera kana abva kunogeza.
Kwaitonhora chaiko iniwo ndakatoti regai
ndinotora t-shirt sezvo ndaive ndabuda
ndisina chinhu kumusoro. Ndakadaidzira
katwo kese ndapinda mubedroom haana
kudaira ndichibva ndagara pabed. Mabag edu
ndaive ndaisa muwardrobe pamusoro saka
ndaitoda kumabudisa ndigosiya ndaisa
raPurity pachena ndaitoziva kuti aizorida
apedza kugeza achiitira kuti achinje hembe.
Pakarepo ndisati ndatombosimuka akabva
apinda Purity asina kana kupfeka chinhu.
Handina kuvhunduka asi ndakabatwa
nekutya. Mukatarisa kumashure kwese
kwatakabva Purity aitoratidza kuti chero
kubviswa toti hat zvayo mumusoro neni
raizove basa asi apa akauya akashama.
Nezvese zvaakaita mundege achiramba
kugara neni akandinyadzisa mumota
yatakabva nayo kuairport izvi zvairevei?
Zvaireva here kuti aive anzwa kumudeedza
kwandakaita achibva atofunga kuuya
akashama? Ndiri pakuedza kunzwisisa
zvaiitika munhu akaita seabva demon
pfungwa dzikadzokedzana ndione uyo akutiza
kuda kudzokera kwaaive abva ndipo
paakadonha. Ndakatotaura mumoyo kuti
enough nemagame ataiita aya taifanira
kungorara tese kwacho kana kuri kugara pasi
tichitaura kunenge kwatove kunzwisisana kuti
akaitirwa kupi, nani uye chii chakazoita
vasiyane. Pfungwa yekumira titange tazorora
yakaperera ipapo. Pandakanomubata ari pasi
paaive adonhera ndaitoda kumusimudza
ndimuise pabed avhure makumbo ndiise
kwete kuti ndaida kuona paaive akuvara.
Mugoona zamu here ayewa aive nerakanaka
kani rakaumbika kwazvo apa riine zinyatso
rekuti ukawana mukana weromance zvako
woriisa mukanwa unorasika njere
nekunakirwa. Hasha dzekupedzerwa nguva
munhu achiramba-ramba iye aive auya ega
akashama, hasha dzekurwadziwa kuzasi
kwaive kwagadzirira kuwana chikafu, hasha
dzekurumwa nemunhu ainyepedzera kuita
seaive asingazive ndidzo dzakandipa simba
randisina kunzwisisa kuti rakabvepi panguva
iyi. Ini zvangu ndaisave munhu ane simba
rinoverengerwa kuti ndingamirisana
nevamwe varume ndaitozvityawo zvangu. Apa
ndakaitawo sendaive ndagarwa nedemon
ndokusimudza munhu ndikakanda pabed
kunodai wanei munhu akanyatsotsvaira kuzasi
kwaive kwakachena kani zvekuti waitoti
pamwe hakumeri bvudzi. Ndakaita utsinye
hamheno kuti ndaizokwanisa kuzviregerera
here ini pachangu. Dai ndakaramba ndine
pfungwa yekuti Purity aive mhandara taidei
tisina kusvika pakadai. Vana sekuru vangu
vakasangana nana mbuya vari mhandara
vaitaura kuti zvinorwadza chero iwe murume
unenge uchibvisa kwacho nekuti kupinda
kwacho ndekwekumanikidzira. Ini
ndakanotsimbirira nehasha apa makumbo
ndakavhura sendaidhonza rekeni. Ndakanzwa
kurwadziwa asi kudzokera kumashure
kwaisaita nekuti ndaive ndagara
ndasundudzira nesimba rangu rese.
Ndakanzwa kurwadziwa kuita
sendamanikidzira kupinda pafence iya ine
minzwa. Ndakada kuridza mhere
ndikazvidzora kuti zvino kana ndaizochema
kudaro ini ko uyu wandaive ndadambura
aizodii? Ndakagutsikana kuti shuwa ndaive
ndakuvadza mumwe wangu nekuti
pandakamudhonza ndichida kunozembera
kumadziro pakaita line reropa raititevera
richibva paaive akagara apo paive paine
rakawanda. Yes ndakafara kuti ndaive
ndazviwanira wangu ndega asi hazvina
kubvisa pfungwa yekuti ndaive ndaita utsinye.
Ndakachema ndakamubata zvine simba
ndikati “sorry Purity hazvisi izvo zvandange
ndakaronga izvi. Ndiri kuzvinzwira ndega kuti
ndaita utsinye, ndakurwadzisa wange
usingafanirwe kusangana nezvakadai.”
Mashoko andakataura futi pandaiita hubhinya
hwangu ndiwo amwe aive akundiremera.
Pane pandakati “usade kutamba nepfungwa
dzangu uchiramba zvinhu zvaunoziva zvawave
netime uchingoita futi” ndikaridza tsamwa.
Chaakakwanisa kutaura kuti “ndoda kuenda
kumba handichadi nezvako.” Kurambiwa futi
naPurity ndaifa ini nekuti
pandakangomukuvadza ndakanzwa sekuti
rudo rwakasumuka zvine simba chaiko
ruchiwedzera. Akaedza kudhonza comforter
raive radonha pasi rimwe side ndofunga aida
kufuka but akatadza kurisvikira. Muviri wake
waibvunda wese zvawo handichazivi kuti
chaive chando here kana kuti aive marwadzo.
Ndakamutorera comforter raaida achibva
afuka muviri wake wese nemusoro. Apa ndipo
pandakanzwa moyo kudambuka kani
achichema kubudisa voice achidana amai
vake hanzi “mama… ma…” Ndizvo zvaitaurwa
here izvi zvekuti usaende kusina amai shuwa
vakanga vaona kuti amai vako chete munhu
ndivo vanogona kunzwa tsitsi. Shungu
dzakazoenda dzichipera hadzo mandiri
ndikanyarara asi ndakatora nguva ndakagara
paside paPurity. Iye aive akuchema
zvekungoshinyira akazvivharira mujira make
imomo. Ziso rangu raiti pese paraienda paive
neropa raiita serichabuda ndichitadza
kubwaira. Ndakazosimuka pandakada
kuzvibata pakati ndikarwadziwa zvekuti
ndakatoti “shuu.” Ndakabatira
nechekumavhiri kuti chisazununguka
pakufamba ndikafambisa ndakaparadzanisa
makumbo ndichipinda mubathroom.
Ndaitoda kugeza ko ndaive ndaburitsaka
mukaka wakakora waive watoomerera zvawo.
Pakudira mvura ndipo pandakadana amai
nezeve-zeve veduwe ndakarwadziwa. Musoro
waive watsemuka kutosara kwakatsvuka
ndakatombotya ndichiti pamwe maronda
acho aizodzika achikura. Zvakanditorera nguva
kuti ndipedze kugeza ndichibva ndaenda
ndichida kunonyengerera Purity kuti
ndimutakure agezewo. Ndaitoziva kuti
nezvandaive ndamuita hapana paaizokwanisa
kufamba ega. Ndakabuda mubathroom
ndakamonera towel ndokusvika ndichipfeka
short risina chinhu mukati ndaitya
kuzvidzimbira. Kumusoro ndakapfeka t-shirt
ndipo pandakawana mukana wekutarisa
pandaive ndarumwa pamirror. Ndakakanuka
ko zvandaive ndakuvara nhai kudarika pamwe
pese paaimbondiruma Purity. Kungoti
ndakanonoka kunzwa kurwadziwa nekuti
kuzasi kwairwadzisa kudarika pekurumwa
apa. Ndakabatwa nekutya sekuru Nigel vaive
vandiudza zvakamboitika kwavari
pavakarumwa nambuya mai Farai. Paya futi
pandakamborumwa naPurity ndikanotenga
mushonga kupharmacy vakandiudza futi
zvaida kukasirirwa kurapiwa. Mushonga
wacho ndaive ndisina kuushandisa wese
ndakatodemba kuti dai ndakangoutakura
hangu. Ndakazoenda paive pana Purity
ndikanomufukura wanei hazvina kumira
mushe kubvunda kwaive kwawedzera.
Ndakabata-bata kumeso kwake ndichitester
temperature handina kunzwa kupisa ini.
Ndakatora mvura ndikamanikidzira
kumunwisa achingopedza akabata muromo
ndokutanga kurutsa mvura iya zvichiteverana
netuchikafu tushoma twaaive adya.
Ndakamupa towel randaive ndabva
ndakamonera mubathroom akarutsira ipapo
kusvika akubuda furo. Maziso akadzokera
mukati nenguva diki-diki regai zvichinzi kufa
kwakapusa. Ndakashaya zvekuita
ndikambofunga kuti chikafu chaaive adya apa
but ini ndicho chandakadyawoka. Akatanga
kuti “mudumbu mangu mama kani.” Ayive
arara nedumbu manje uchitoona kuti aida
zvekuumburuka asi simba ndipo paive pasina.
Ndakamubvunza pekutanga akambonyarara
ndichiti aive adyei asi akazopindura kuti aive
asina kudya chinhu kumuchato. Akabva
kumba kwavo asina kudya futi kusanganisira
nehusiku hwaive hwadarika. Zvaireva kuti
yaive nzara iyi yaimudai ndakabva ndamhanya
kuenda kureception. Mafambiro
handichatauri ko yaive mhosva here handiti
ndaive ndakuvara? Ndakawana kwave
neumwe mukadzi akaita wechikuru
ndikakumbira kuti afonere kukitchen ndaida
kuitirwa porridge. Akati porridge paive pasina
vaingoita tea chete husiku chimwe chikafu
chese chaitanga kuwanikwa kuseni kubva
naseven kusvika eight husiku. Ndakavaudza
problem yangu vakaratidza kunzwa tsitsi
ndikaona vakuplugger jug ndokudziisa mvura.
Vakandipa macornflakes avo avakabva nawo
kumba vakakurudzira kuti apedza kudya
ndimuitire tea. Zvese zvekugadzirisa tea vakati
zvaiveko kuroom kwedu. Ndakavatenda
ndikange ndati ndaizovapa mari asi
vakairamba. Ndakanoita wekudyisa Purity
haana kunetsa hake uye akapedza
macornflakes ese. Zvakabva zvaita zvakanaka
kuti takawedzerwa mamwe mablankets maviri
so ndakabva ndanyatsomufukidza
ndichinogadzira tea. Pandakadzoka aive achiri
kubvunda zvake nechando asi zvaive zvave
nani. Akanwa tea akasiya shoma-shoma
ndikaona achibuda ziya shuwa aive afa
mwana wevanhu nenzara. Ndakaendesa lunch
box yevanhu pandakadzoka ndipo
pandakafunga zvekuti nditore mapicture
emaresults, ndakatombosekerera apa.
Ndakawana Purity aenda kunogeza ndikatora
mapicture nekukasira ndokubvisa masheets
aive akanganisika ndikamaisa muwashern
busket yaivemo. Ndakawaridza zvandaigona
ini zvekuti awane pekurara adzoka chete ko ini
ndini umweka wevana vakakura vachiitirwa
zvese ndaive ndakaremadzwa namai Innoe.
Purity veduwe kuzoenda kunogeza nebag aive
asisadi kudzokorora mistake
yakazomukuvadzisa. Kufamba aisagona aiita
zvekubatira kumadziro apa misodzi yaiyerera
anenge akageza achichema sezvandakaita ini
nekuda kwemarwadzo. Ndakanomusimudza
ndikasiya bag pasi ndokumukwidza pabed
achibva atodhonza machira akarara. Haana
kumbotora nguva refu aive atobatwa nehope.
Ndakamufugura musoro ndikaramba
ndakamuyeva achiita mafemo aya emunhu
abva kuchema zvakanyanya. Ndakataura
ndega ndikati “babie ichasvika nguva yekuti
tinenge tajairana hedu ndoziva kuti uchiri
kuremerwa. I love you Purity, wandiita
murume ndinodada newe. Ndichakuitira
zvese zvaunoda muupenyu hwako
kusanganisira kukuda zvisina vanopindira
murudo rwedu. Uri ruva remoy….”
Akavhunduka adonherwa nemisodzi padama
ndakabva ndatosimuka, ndaive ndisina
kuzviona kuti ndaibuda misodzi pandaitaura.
Haana kumuka zvake akangotendeudza face
ndokurara akatarisa kune rimwe side.
Ndakanogara kudining foni iri mumaoko
ndaitonzwa kuda kuita makuhwa kunana
sekuru vangu. Vanhu vacho nedzungu ravaive
naro pamwe zvaitozonorara zvave papillow
yamai Innoe. Sekuru Farai vaive vaita
kundirova-rova musoro vachiti “ukarega
kutiudza tinonetsana.” Ndakamboona
mapicture ndichiti randavhura ndokisser
hangu kana kumbosema kuti ndaitarisana
neropa ndaitonzwa kuti ndogona kuribata
nemaoko. Kutandara kwaida tiri pamwe
nemumwe wangu tichiyemerana handina
kutombobvira ndabatidza TV zvangu so
ndakangozotumira message kunana sekuru
ndikadzima foni kuti vasakwanisa
kundifonera. Message yaive yakanzi “I’m
happy sekuru for worthful package.” Vese vari
two dzakaticker blue ndikaseka zvangu foni
yangu ichidzima ndaiziva kuti vaitozoedza
kundifonera chete kuti vanyatsonzwisisa
zvizere. Ndakaenda kunorara paside
pemukadzi wangu ndikafuka comforter
handina kuda kumuvhiringidza hope dzake.
Iniwo handina kutora nguva ndakabatwa
nehope ndikanyatsorara kusvika kwachena.
Ndakamuka kuseni Purity asipo paside pangu
ndikanoteerera kubathroom ndiko kwaaive
achigeza. Aive afamba sei veduwe raive basa
rangu kumusimudza kusvika apora. Ndaifanira
kukurumidza kuorder chikafu sezvo aive arara
adya macornflakes chete. Ndaive
ndamurwadzisa zvangu zvekuti aigona
kundivenga asi mukana wekuti ndimufadze
waivepo wakakura. Akabva avhura door
akaramba akakotama akabata ibvi.
Ndakaenda paaive akatovhunduka
ndamubata bendekete. Handina kumupa
mukana wekutaura ndakamusimudza
ndikanomuisa pabed ndichiti “morning my
love?” Ndakabvisa towel raaive asungirira
pabvi wanei pakaita zidenderedzwa
rakatsvuka ndipo paaive adonha napo paaida
kutiza akanorovera. Izvi zvaisaita kungotarisa
nekuti paive pajoin yepabvi chaipo pamwe
aive atokuvarira mukati zvake. Purity ndaive
ndakuziva zvaaida so ndakatoona kuti kuronga
ndega ndiko kwaiita kuti zvinhu zvakawanda
zvifambe. Dai ndakada kumubvunza kuti
aifungei nekukuvara kwaaive aita aigona
kunyarara. Ndakanoita order yechikafu vakati
chaizouya mushure mefive minutes vaive
vatopedza kugadzira breakfast. Ndakabvisa t-
shirt arimo akagara pabed anenge akafunga
kuti ndaizobvisa zvese neshort arimo nekuti
akabva atosimuka akabuda. Mafambiro
achoka ndaifanira kumutora video chete
yandaizomuratidza nerimwe remazuva.
Ndakasara ndichinogeza apa marwadzo
aingovepo kani kwaive kushinga. Ndakadzoka
ndichipfeka handina kumbozoita zvekudya
ndakafonera vekudepartment retransport
sezvo taive takabooker zvese kuti kana taizoita
rwendo ndivo vaitiperekedza. Purity
kwaingove kusimudza sezvandareva kuti
kuronga chaiko pamwe kwaitoda nguva.
Ndakanobvunza driver patakakwira mumota
kuti paive nehospital here pedyo vakati paive
neclinic yaivhurwa naseven kuseni ichivhara
nafour. Kwaisave kure zvako taingobuda
palodge patakasvikira apa todzika neroad
maybe zvefour kilometres toturner kuleft
tichitopinda pagate reclinic yacho. Uku ndiko
kwatakatombotaura tese ndichimubvunza kuti
aive akuvara gumbo chete here.

Purity: (akatarisa pasi) neruoko ndakarovera


nepagokora but panorwadza zvishoma.

Ini: I’m sorry my love neniwo ndichatorapiwa


pandakakuvara pedyo nedama apa kozoti
pak….

Purity: usandiudza handidi kuzvinzwa.

Ini: (ndakaseka) ndoda kukurapisa pese


pawakakuvara ndiudze pamwe kana paripo.
Ko mudumbu hamusi kurwadza here
nemusoro? Ndorwadziwa hangu usingadi
kutaura neni, imbondiudza zvauri kufunga
babie.

Purity: hapana ndoda kudzokera kumba


hangu.

Ini: kudzokera kumba here usatye zvako


tichadzokera kana mazuva edu akwana.
Ndokumbirawo kukunetsaka babie kana tabva
pano tipinde mutown titsvake zvekushandisa.
Ndini hangu ndoburuka mumota ndichipinda
mumashop kana wazopora hako
tinozodzokera kunotenga zvakare.
(Akambonyarara) zvinoitaka hona
kunotonhora hatina majacket anodziya
nehembe futi seni dzangu dzatopera
hamheno kana iwe wakarongedzerwa
dzakawanda.

Purity: dzatopera asi ndikawana sipo ndogona


kuwacha.

Ini: ndakabhadhara maservices ese iwayo


ndichataura navo vagowacha usatye hako.

Yakasvika nguva yedu tikapinda akatariswa


ndokuonekwa kuti aive asina kukuvara
zvakanyanya zvake raingove ropa rakaungana.
Mushonga takaushaya vakatinyorera
wekunotenga kuphamarcy. Ini ndakarapwa
ronda rekurumwa hamhemo mainjection
maviri avakabaya ipapo chaipo
ndokunyorazve mushonga wekutenga.
Takabuda tikapinda mutown ndokunanga
kupharmacy first ndisati ndaita zvekutenga
hembe. Pakasara Purity mumota ndichipinda
muMakharm ndakabva ndaita phone yangu
on. Ndakaseka vanhu vaivemo vakanditarisa
ndaive ndasanganidzana nemamissed call ana
sekuru vangu nemamessage. Vakabva vafona
sekuru Nigel ndikati “ndiri kuchipatara sekuru
face haitarisike iyi nemaronda.” Vakaseka
nguva refu vakazoti “ndakakuudzaka aaa sorry
muzukuru wangu tongoti ndimwari vaita kuda
kwavo.” Vakaseka futi ndikati “musadaro kule
ndatoiswa kumabed izvozvi.”

Nigel: (vachivhunduka) serious here, rega


ndifonere Farai ndamusiya kuairport ari kuuya
ikoko anogona kusvika achizokuona. Haana
kuzomukira sezvaaive areva nekuti akuuya
namama vamaiguru mai Natie.

Ini: musanzwe zvenyu, yes ndakakuvara


ndatoenda kuclinic vakandirapa apa ndapinda
mutown hangu.

Nigel: and?

Ini: pakaipa sekuru ndiri kunzwa tsitsi


ndakakuvadza mwana wevanhu but ndiri
kufara ndaive ndisisina hope ini.

Nigel: I’m happy for you, usazoita zvehasha


zvese zvinongoita kana nguva yakwana
umupe nguva. Usazotora nguva usina
kudzokorora better kungorwadzisana kusvika
ajaira nekuti ukamuregaka paunozoda kuita
futi anorwadziwa zvakanyanya.

Ini: aaa kule neniwo ndakakuvara ini ndotoda


week chaiyo kupora.
Nigel: but ndiri kutaura chokwadi hapana
pandingati ita zvakadaro uchirwadziwa asika
unozoita seuri kutanga futi so ingopedza.

Ini: thanks kule tenge tichitaura ndichikuudzai


kuti zvakamira sei.

Vakadimbura call pavakati ndimhorese Purity.


Zvaraive basa ini ndaitoti taizoita day
rekupedzisira tichimuka tichidzokera kuZim.
Paitoda plan apa ndaida kumboedza
zvekunyengerera manheru pamwe zvaizobuda
zvakanaka. Ndakanhonga-nhonga zvandaida
ndikabhadhara ndokunosiya kumota. Ndaida
kutsvaka pekudyira sezvo ndakabuda
tichienda kuclinic nenzara but mumwe wangu
aisagona kufamba apa zvakare taifamba
nemota yekuti munenge muna driver waisaita
zvese zvawaida. Ndakangozopinda
muTruworth yaive pedyo ndikanhonga-
nhonga zvaPurity ndikadarika nepaWhimpy
ndichitenga chikafu chekunodya tadzokera.
Mwana aive nemaneto iyeyu ndakawana
arara futi handina kutombomumutsa
takadzokera akanomuka takuburuka.
Patakabuda kuseni taive tasiya takiya door
nekuti mumabag edu maive namapaper
akakosha. Havana kuwana mukana
wekucleaner saka takangoti tichipinda
vachitoteverawo. Purity aive amukira
kuwacha masheets eropa aya akamayanika
mutoilet. Aive smart zvake mwana
wekwaMadondo dai vaive vamwe vaingoti
zvaizoonekwa kwazvaiwachiwa ikoko.
Pakabuda vekucleaner vachiendesa masheets
ndakanogara pedyo naye ndikabata ruoko
rwaive nering ndikatanga kupuruzira hangu.
Haana kubvisa pandaive ndakabata takatoita
nguva takadaro ndokuzosimuka takupinda
mudining mavaive vapedza kurongedza.
Chandakada pana Purity ndechekuti chikafu
akabvuma kudya, kuseni aive abuda anwa tea
apa futi akadya chatakabva nacho kutown.
Zvaizoita chete moti pataipedza week tiri two
chete aitozojaira kutotanga iye kutaura nyaya.
Ipapa paakapedza kudya akati aida kuenda
kunorara ndikamusimudza ndikanomusiya
pabed. Aifanirak kuzorora chaiko nekuti
manheru ndaida kumbomupa romance chaiyo
yaizoita kuti pese paaiona vamwe vanhurume
apfira mate oti “ndinaye wangu
akandikwanira.”

End of chapter 14

Love you guys


CHAPTER 15
*Purity*

Vairaira mbuya vangu ndichiseka nepaside


pemuromo zvekuratidza kusawirirana
nezvavaitaura. Vaindipa chenjedzo vana sisi
vangu ndichitaurira mumoyo kuti “imi
hamuna kufa wani.” Zvinonzi “akubaira zanhi
ndewako” vanhu ava vese vaitaura chokwadi.
Vaiti zuva rekutanga unogona kufunga kuti
murume apanduka kuita bhinya nekuti kana
ada zvinhu zvake haukwanisi kumurambidza.
Vamwe vanorohwa nefirst day rekupinda
mumba nekuda kwekuti paunoramba paya
murume akarwadziwa zvinomupa hasha.
Hazvirevi kuti anenge akurova nekuda
kweutsinye asi zvinhu zvinoitika like someone
ari under a demonic attack. Zuva iri
ndaizorinyora pasi veduwe ndakaona umwe
Innoe mutsva muupenyu hwangu. Pese
pataidanana asati aroora ndaitozviudza kuti
haambofe akaita hubhinya hwevamwe
varume vataimboona tichikura pataienda
kuchikoro vachirova vanhukadzi munzira.
Innoe haaimboita saJona airova Paida kuita
seabata mbavha. Usarambire munhu ndaive
ndakungoti dai andirega zvangu ndatiza chero
panze ndainorara. Kurohwa handina zvangu
kuzosvikako asi ndakapondwa-pondwa
nepakati pemakumbo. Ko apa ndingati
ndakakuvadzwa here ayewa vana mbuya
vaitosiirira kundiudza kuti ndaienda kuhondo.
ZiAK 47 racho kana airichengetera payi
ndakashamisika nekuti dzimwe nguva aiuya
kuchikoro kuzondiona akapfeka short asi
hapana chaimbobudikira. Ndakarwadziwa
kudarika kurohwa kwandakaitwa nevanhu
vaLoca vaya. Musiyano waive pakuti ivo
vakandirova musoro ndiwo wairwadza hauna
kurwadzisa musana usina kurohwa. Izvi zvaive
mberisa kuda inyaya yekuti ndaive
ndapondwa pacentre panosangana nyama
dzese dzemuviri. Makarwadzo akapararira
muviri wese simba rikapera chakangosara
pandiri kunzwira zvaiitika kure-kure kureva
kuti ndakambofa. Kukuvadzwa here
zvekusvika pakurutsa apa mudumbu mangu
maiita zvimwe zvinhu zviri strange kani.
Mairira nekubaya-baya paguvhu apa aimi kani
ndakademba kuti kusina amai hakuendwi. Ini
ndaishungurudzika nezvaive zvakuitika
mumudumbu mangu uyu Innoe achichema
hamheno kuti airwadziwa here nekundiponda
kwaakaita kana kuti aifara. Ndakaona kuti
kuchemera humhandara hapana
zvakwaizobatsira moti nemoto waibvira pakati
pemakumbo angu ndaitarisira chii chimwe?
Ropa futi rakabuda rakawanda kuita sepaive
pabaiwa huku chandingati ndaitokumbira
kuna mwari ndechekuti ndinge ndisina
kudhadhanurwa zvangu kunosvika
kumuvakidzani. Pane chandakaona hangu
chinoitika chero uri mumarwadzo hauzotadzi
kunzwa kamwe kamufaro kekuti waonekwa
wakakwana. Sevana vakakura vasina vabereki
vese nyaya dzimwe dzatinenge tichinzwa
dzinokusiya usisazive kuti iwewo hauna
kusangana nevemoyo yeutsinye here? Vana
vamwe vanobatwa chibharo nehama vari
vadiki zvongonyararwa saka paanozoti
achitanga imba anenge achitovimba kuti
akakwana izvo akapedzwa naye kare.
Pese pandaive ndakurwadziwa nemudumbu
apa ndakaona kuti Innoe aive akuregretter
zvaaive aita. Ndaive ndisina simba hangu
rekumuka sezvo ndaitsikirirwa nemarwadzo
nenzara asi moyo wangu wakarwadza
kumuona achishungurudzika. Zvaive fun
kurwadzirirwa munhu aive andikuvadza pane
kuti ndaidei ndakatofara nekushushikana
kwake. Vakazvitaura mbuya mai Munya musi
wandaipesuka-pesuka chiuno vachiti
“uchadzikama hako musi waunovururwa
nemuvururo munyoro. Iro riya ropa rinobuda
kana wadamburwa tsinga ndiro rinoita
sesimba rehove rekuti ikabuda mumvura
inobva yafa.” Vairevesa kani ndakanzwa
kureruka kusara ndave chipaper apa ndaive
ndaonekwa kuzasi kwangu futi naInnoe.
Zvekuonekwa hazvo zvaive nani ko iye
ndakamuonawo wani saka yaive 50\50.
Akamhanya-mhanya akanditsvakira chikafu
hamheno kwaakachiwana asi ndakamutenda
mumoyo nzara yaida kundipfuudza chaiko.
Zvisinei hazvo zvakawanda zvakasarira
mumoyo aive madai-dai-dai asi hapana
chandaiona chaigona kugadzirika yaive
yadeuka mvura yemuguchu. Pakadai rairo
yaunenge wapiwa nevakuru ndipo
painoshanda manje. Zvinonzi kana murume
angoravira muchero chete zvakutoda kuti
musangane pakati murudo nekuti
akabhowekana anoenda asisina
chekunyengerera. Ndaizodiwa nani ini ndaive
ndatoparara kudai? Ndakabatwa nehope
mumarwadzo nemumaneto ndichimirira
kuzoona zvaitevera muzuva raitevera.
Ndakapepuka kuchakasviba gumbo rangu
rairwadza pandaive ndabondera ndichida
kutiza uye nzara yaive yatangazve
kundishungurudza mudumbu. Taive tarara
light riri on so pandakasimudza musoro
ndakasanganidzana nechiso chaInnoe
ndikatendeuka kutarisa kumadziro. Aive
akarara paside pangu but ari nechekure
paitove nemuganhu pakati pedu uye aive
akafuga comoforter. Kubva nguva
yandakapepuka kusvika kwachena
ndaipishana nepfungwa ndichifambisa nguva
kuti ndigoenda kunogeza. Ndaingonzwa sekuti
kuzasi kwangu kwaive nezvinhu zvinoda
kuparwa ko pandakabatwa naInnoe
ndakasaka ndakazara zvinhu zvichena
muzvidya. Zvaiita secandle radonhedzerwa
pasi richibvira apa zvaisemesa nekuti zvaive
zvakasangana neropa zvakuita seurwa.
Paguvhu zvakare hapana kubvira panyarara
kabayo kaiita setsono kaiwedzera kubaya pese
pandaiedza kusanduka kuti ndirare nerimwe
divi. Kwakazochena hako ndikamuka
zvehasha-hasha kukanganwa kuti kuzasi
kwaive kwakakanganiswa. Ndakayuwira apa
ndichinorovera kumadziro zvakare neibvi riya
rekubondera husiku. Innoe akapfakanyika
ipapo ndikazvishingisa ndokuruma muromo
kuti ndisarambe ndichiita noise. Ndakazoita
zvekutedzemuka kubva pabed ndikanogwesha
neside ndakananga kubathroom.
Pandaigwesha ndaienda nemasheets aya aive
azara ropa ndaive ndakadzidziswa namama
vangu kuti hapana huchapa hunodarika
kuonekwa ropa rako nevanhurume. Raisave
rekumwedzi zvaro but izvozvo zvekuti raive
rabva kuzasi kwangu zvaitosemesa.
Maunganidzirwo aaive akaitwa masheets
acho naInnoe zvaitoreva kuti naiyewo aisema
kutarisana nawo. Ndakatanga nekuwacha
ropa riya ndichishandisa mvura inopisa. Raive
raomera saka zvakanditorera nguva
raitoramba kubva futi.
Pakugeza ndipo paive nenyaya ndaive
ndamborwadziwa zvangu husiku hwaive
hwadarika asi ungati zvakamuka zviri worse.
Ndakapinza chigunwe zvishoma kumashure
kumuvakidzani, ayewa ndaive ndisina
kudambuka kusvikako. Zvaishamisa izvi
moziva kuti ndaikwanisa kuisa chigunwe
kushure asi uku mberi kwaisada chero
kungopuruzira pamusoro zvapo ndaiita
sendabata mukati meronda rekutsva.
Kutonona futi ndaisakwanisa ndakatogeza
ndakakotama ndichiita mvura yekukanda
nechepazasi peguvhu yoyerera ichipinda-
pinda kwese. Payainosvika futi kuchiweti
ndainzwa sendaiswa salt aimi misodzi
yaiyerera dzimwe nguva ndaitoita
kakugomera ndotaurira pasi-pasi kuti “yowee
ndofa zvangu mwari wangu.” Kurega futi
kugeza kwaisaita nekuti husmart
hwemunhukadzi hunotangira pakati
pemakumbo. Chero ukapoda sei iwe
uchisimudza zimweya hapana anombozoda
kugara pedyo newe. Pandairairirwa vakabata-
bata nyaya yekugeza zvavo kuri kuzadzisa asi
ini ndaizvidawo zvekutamba nemvura
nekuona kuti ndagara ndakashongedzeka.
Hembe dzandaive ndasarudzirwa
nevakarongedza kabag kangu dzaingove
dzakadaro-daro ndotoshaya kuti sei vanhu
vasina kundiudza zverwendo urwu pamwe
ndaizosarudza hembe dzandaive ndavigirwa
nevazukuru vaInnoe.
Ko Innoe aive aitawo sei nhai dai ndaive
ndisina dzanguwo nhamo ndaiseka ini.
Ndakatobudaka mubathroom ndichiti pamwe
aive achakarara takabva tasanganidzana
maziso akasumuka pabed kuuya
kuzonditakura. Aifamba semunhu akaisa
bhora pakati pemakumbo apa aiti padiki-
padiki ayuwira. Face yake yaive yachinja
apfeka yemazuva ese kwete zvandaive
ndaona husiku akasungikana kuita sebhinya.
Aitaura zviri soft and nice achinyengerera
zvaiita kuti ndinzwe kavoice kaitaurira mandiri
kachiti “usamutsamwira.” Ndaimuongorora
hangu pese paaisimuka achifamba-famba
mumba aimi Innoe aive murume wekuti ani
nani zvake aigona kungoti dai ndaroorwa
naye. Pfungwa yaive yambondishanyira
yekuda kutiza yaibva yatama ndichizviudza
kuti ndaive ndakutoda kubatwa neshavi
reurombe. Ndaibva ndafunga Paida futi
mudiki kwandiri kuti aitove nenhumbu wani
kureva kuti akatosangana nezvandaiona izvi
akakunda hezvo panguva yake naJona aive
akuita zvekutiza pamba achifambira kunopiwa
rudo irwo rwandakaudzwa nambuya kuti
“kana wazojaira hako unoita seuchati huya
tiite chero muri patable muchidya.” Chimwe
chaindisunungura moyo ndechekuti aiti achiri
kundida hamheno kuti kuseni uku
ndakaudzwa kuti “I love you” kangani chaiko.
Zveropa izvozvi ndakatendwa munhu
kutobuda tumisodzi achiti “handizivi babie
kuti ndokuudza sei I’m happy, no I’m the
happiest man wakandikoshera.” Kuenda
kuclinic ndainzwa sendakachengetedzwa aive
akagara pedyo neni achiti chero nhunzi
ikadarika oyidzinga. Kungogujurwa
pamabhambo aindipuzira pabendekete oti
“sorry babie.” Ndaitika pamwe ndainorapiwa
maronda ese aive pandiri but
ndakangotariswa raive paibvi chete.
Ndakapiwa mapainblock andakanwira paclinic
tikazodarikira toenda kutown kuti tinotsvaka
mushonga wandakanzi ndigokwiza paibvi.
Mapiritsi akandibatsira iwayo bayo
remudumbu rakanyarara zvese nepain
yekuzasi yakadzikira ndaitoinzwa kana
ndafambisa makumbo chete. Mutown
handina chandakaona ini semunhu asina
kumbobvira aburuka mumota. Maplastic
akauya naInnoe akangoti aive nehembe dzedu
dzekuchinja dzaakatenga sekuvimbisa
kwaakaita. Paive zvakare nechikafu
ndakangonyara kudyira mumota zvangu but
chainhuhwirira zvinomedzesa mate.
Ndakaswera ndakarara uyu Innoe aive
akagara kudining achiona bhora sezvo yaive
Sunday. Pane paakambouya muroom
mandaive achiti ndizodya chikafu chemasikati
ndikamuti ndaive ndakaguta. Akangosekerera
achindibata dama ndokuti “haudi kutaura
namama here kana mbuya mai Munya.”
Ndaive ndisiri ready hangu ndakaramba ini
akaseka ndokuti “wange uchimhoreswa
namai Innoe ndavaudza kuti uri kurwara.”
Dzungu racho raive nemunhu uyuka
ndakashaya zvekudaira ndaitonzwa kunyara
sendaivaona mama Mapanzure. Akabuda
hake akanoenderera mberi nekuona bhora
ndikasara ndichimuka kuenda kutoilet.
Pakuita wiwi ndipo pamwe paive pakaoma asi
ndaingozozvishingisa kuti tusalt tunenge
turimo twaigona kundibatsira kuti
ndikurumidze kupora. Kupora kwacho futi
kwaive nedisadvantage pamwe aizoda futi
kupamha. Ndosaka vanhu vakawanda
vachionda kana vachangobva kuroorwa
pfungwa dzinowandisa. Kumaaround four
zuva rakuda kudoka akauya akati ndimuke
timbobuda tichifurwa nemhepo. Ndaisagona
kufamba ini ndaive ndakutoona
sendaimunetsa pese paaindisumudza so
ndakamuti aende hake ega. Akaedza
kundinyengerera kuti taizoenda nemota
kutown aaa zvaisandiitira hangu nekuti
ndaitoziva kuti hapana pandaizoburuka
mumota macho futi. Akatanga kubvisa hembe
kuti achinje ndichibva ndavhara musoro
ndikamunzwa achiseka. Paakapedza kupfeka
akauya akandifukura ndokundikisser padama
akati “unoda kudyei ndikuvigire?”

Ini: handina nzara ini ndichadya izvozvo


zvichauya manheru.

Innoe: no tofanira kugara nechikafu chedu


chakakwana muno hona last night
takazotambura handidi hangu kukuona
uchinzwa nzara babie.

Akadzokorora futi kundikisser panguva iyi


akauya pamuromo chaipo achibva azobuda
oenda hake. Anenge aive apora uyu aive
akufamba zvakanaka. Ronda rekumeso ndiro
raive rakazvimba ndakatomboda kuzvishora
asi ndaidiiwo ndaitsvaka kuzvibatsira ini,
ndiyo self defence yacho. Ndaive ndatobva
ndatsidza kuti handimurumi mushure
mekunge ndavanzwa vachinditaura nasekuru
baba two. Iyewo aidei asina kundikuvadzawo
nekuti aiziva kuti zinhu rake raizondirwadzisa.
Ndakambovhara maziso ndikamatswinya
zvakasimba kuda kunzwa kana pasina raive
rakutanga kumera chipundu pamusoro.
Ndakaona chisionekwi kani ndakabva
ndarangarira rimwe zuva mother vaya
vaimbogara kumba kwedu vachibvunza umwe
mwana aitengesa maveggie hanzi “tsoka iyi
ndeyako wega here?” Ndiwo mubvunzo waida
kubvunzwa Innoe ayewa kuda kwaive kusaziva
hangu kuti vamwe varume vakamira sei asi
ndakaona seaive akatakura nembasera.
Panguva yakadai zvako ukapiwa mukana
wekuve woga unotanga kuongorora rwendo
rwako uchitarisa pawakagonawo
nepawakakanganisa panenge pachida
kugadziriswa. Ndaive ndisina zvimwe zvekuita
chero dai ndaida kutaura nevakasara kumba
ndaivabata payi zvangu? Foni ndaive nayo
mubag hamheno kana yaive ichiri nemoto
nekuti ndakamboishandisa pataitorwa
mapicture tichiri kumuchato. Line rekuSA
ndaive ndisina ndaisatoziva kuti
rinowanikwepi zvese neairtime yacho
zvaitoda kana ndaizotengerwa naInnoe.
Ndakapishana nepfungwa hangu pamwe
ndichimbobuda misodzi asi ndaiwana pamwe
pandaingozonzwa miromo yoshinya nekuseka.
Chimwe chikafu chelate afternoon chakauya
ndikadya ndokusiira Innoe chake
ndikatochivharira mumicrowave. Kudya
kwandakaita apa kwakaunza maneto ko
ndaive ndandinyiraka kuzadza dumbu chaiko
so ndakadzokera kunorara hangu. Hope
dzemasikati ndaive ndisina kudzijaira
semunhu aienda kuchikoro. Kuzoita
mudungwe wezviroto masikati iwayo
ndakatomuka ndichisekerera zvimwe
zvainakidza zvimwewo zvaingoita
sezvaindiratidza gwara reupenyu. Ndakamuka
ndakarukutika ndikaona nguva kuwatch yaive
kumadziro kuti five yemanheru yaive
yakutoda kuchaya. Mavhariro andaive ndasiya
ndakaita door haana kumbochinja kureva kuti
Innoe aive asati adzoka. Ndakakanyaira hangu
ndichipinda mutoilet ndikatanga
ndambozvibatsira ndakatotenda kuti
ndakanzwa vakuru-vakuru Innoe asati adzoka.
Hapana pandaizokwanisa kunosendamidza
aripo ndainyara ini. Ndakadira perfume
mutoilet ndikadzokorora kucleaner chamber
yacho yaive isina kunyatsokweshwa iyi. Ini
hangu muroom mangu pandaive kumba
kwedu waisawana kana kavara ndaitombonzi
namama ndaive neriya ravanoti donha.
Hembe chaidzo dzandinenge ndabva nadzo
kuchikoro waiti ukawana dzakaiswa
muwashern bucket waitoti pamwe dzabva
panze paline. Iwaya masheets nemachira
ndaingoshandisa zvangu kuti ndingagodii but
sekuziva kwenyu palodge panorara vanhu
vakawanda vakasiya-siyana hauzozivi kuti
akamboshandisa aunenge unawo aive akaita
sei. Hembe dzekupfeka manje dzaive dzapera
dzakachena ndakatoona kuti zvaive nani
ndipfeke dzaive dzatengwa naInnoe. Mapant
chaiwo hapana kana raive raoma handiti
handina kuzoyanika naiko kunyara kwandaive
nako. Aive atenga zvese hake mabra
nemapant good size chaiyo apa iri quality
yekwamberi. Hembe kani ndaimudira kuti
aifarira macolour akajeka. Kwaitonhora futi
ndakabva ndapfeka zijacket zihombe raidarika
mabvi haiwa chando chakaita kutiza chaiko.
Pandakapedza zvese izvi handina kuzodzokera
pakurara ndakaenda kunogara kudining
ndichiona tv. Zuva rakadoka kukasviba
ndikatombosumuka ndikanotora mapiritsi
angu ndikanwa. Mapiritsi ndaive
ndakutonyanya kunwira mudumbu mangu
maingoita nguva diki-diki makanyarara
mototanga zvamo zvekubaya paguvhu. Time
yandakadzoka ndakanyara ndichiwana
vekuunza chikafu varimo. Ini ndaitofamba
zvangu ndakawarairwa ndichiti ndaive
ndogaka. Step yangu yaisaita zvachose
nekuda kwekurwadziwa. Vakadzokera zvavo
ndikasara ndichidya kana zvandaifunga
panguva ini ndaingoti ndoda kuita zvinhu
zvangu ndakasununguka Innoe asati adzoka.
Kudya chaiko paaive aripo ndaitosara nenzara
nekuda kwekunyara. Nguva yakazoti yadarika
pana eight hana yangu yakatanga
kusagadzikana. South-Africa yaive nenyaya
dzakawanda dzevanhu vaibva kune dzimwe
nyika vachishanya asi vaizowanikwa
vakaurayiwa. Aive nababa vaishanda
mugovernment ndiani aiziva zvaifunga vanhu
iii ndakaerekana ndasimuka ndikamira
ndakabata muchiuno. Ndaifona nei kuti
ndinzwe kuti aivepi aimi ndakashungurudzika.
Ipapa ndipo pandakanyatsonzwa kuti zvese
zvaakaita zvekundikuvadza zvaisave nebasa
chandaisada kumuona achishungurudzika.
Ndakambonodongorera nepamawindow
nekuda kwekupererwa ndaiita
sendichabvunza imba kuti aripi mwana
wevanhu. Pakangoita kakusagadzikana
pfungwa hadzimbozofunge zvakanaka unenge
wakungoona zvakaipa chete. Kutoona mama
Mapanzure vachichema zvakaoma kani
ndakapedzisira ndagara pacouch ndikatanga
kuchemawo. Door rakavhurwa pandaive
ndatora tissue ndichiti ndibvise tsvina
yemumhino ndakangoona ndasimuka ndikati
“aripi ….” Ndaifunga kuti pamwe vaive veroom
service bvaa ndakanyara ari Innoe
akatombosiya kupinza maplastic aaive nawo
akauya pandiri ndokundimbundira.

Innoe: uri kuchema Purity asi wakurwadziwa


zvakanyanya? Sorry zvako nekunonoka
kudzoka mota yataenda nayo yambofa apa
seSunday kudai driver aedza kufona kuti
tivigirwe imwe tikashaya umwe driver.
Tatozobatsirwa namakanika waanozivana
naye ndiye waafonera akauya kuzogadzira
mota. Luck yafa ndatotenga zvandange
ndichida, wambodyei rega ndipedzise kupinza
zvinhu mumba.

Tuzu paya kamoyo kachiroverera ndakatura


mafemo chaiko ndichiudza mwari kuti vaive
vaita havo vakamudzosa ari mupenyu. Zvaive
zvichataurika here kuti ndaichemera iye aimi
chaive chakakosha panguva iyi kudzoka
kwaakaita chete. Akazondiseka paakapedza
kupinza zvinhu mumba akavhara door ndokuti
“hauna kundipindura babie asi wakunyanya
kurwadziwa nditaure nevanoshanda pano
vadeedze ambulance?”

Ini: ndiri right ini ndanwa mapiritsi.


Innoe: (achigara pedyo neni) wange
uchichema nekuti ndanonoka kudzoka?

Ini: aaa

Akaseka kani kuita seacharasa mweya aive


andibata ndakanyara kushaya pekuhwanda.
Ndiyo yaingove nyaya paaidziisa chikafu chake
kumicrowave. Ini ndakangodya magrapes
chete pazvinhu zvaakauya nazvo akabva
arongedza zvakanaka zvimwe akaisa kufridge.
Ndaitoda kurongedza asi aindinzwisisa
nekuda kwemarwadzo andaive nawo
akandirambidza. Paakangopedza kudya
akaenda kunogeza hake ini ndikasara
ndakangogara asi hope ndaidzinzwa. Kupinda
mubedroom Innoe arimo ndaive ndakutya
pamwe aizobuda mubathroom akashama
ndaitarisepi hangu? Akazondiitira chishamiso
kuuya zvake akapfeka boxer net-shirt
kumusoro akasvika achigara paarm pecouch
ndokuisa ruoko rwake pabendekete pangu.
Zvekuisa ruoko pabendekete aizvifarira so
nguva zhinji ndaimurega hangu akadaro.
Akabata dama rangu akatendeutsa face yangu
kuti ndimutarise.

Innoe: babie haumbobvunzi kuti ronda rangu


riri kupora here asi unondivenga?
(Ndakaedza kudzosa uso achibva andibata
zvakasimba)

Innoe: kunyara kwako kuchapera here Purity


unobva watondinzwisa tsitsi usadaro shaar.
Chindiudza hauna kubhowekana here
pawasara wega?

Ini: (ndichinyepa) handina.

Innoe: usandirwadzisa kudaro ini ndange


ndichinetseka pandabuda apa handidi
kukushaya pedyo neni.

Ini: ndataura chokwadi changu.

Innoe: unondivengerei Purity nyatsondiudza


chokwadi usatye kana kunyara pamwe
ndingagadzirisa mhosva yangu?

Ini: aaa nhaiwe.

Innoe: saka zvinoreva kuti haundivengika?

Akachinja pekugara akauya kune rimwe side


raive nespace ndokumoneredza maoko ake
ese pandiri nepazasi pemazamu. Akataurira
panzeve pangu nezeve-zeve hanzi “I love you
babie.” Matauriro aakaita ipapo akaita kuti
ndinzwe kakuvhundukira kaya kekuti unonzwa
sewafambiwa mukati muropa chaimo.
Ndakabata ruoko rwake rwaibva nekumusana
ndichida kubvisa achibva ati “please
usandibvisawo ndiri kunzwa kuda kuramba
ndakadai.” Kuzotaura semwana
anonyengerera kuendwa naye kurwendo
ndakamboda kuseka. Akawedzera kuti kwati
pandiri ndinzwe aikaka munhu ave kunhanzva
nzeve yangu. Pandakati ndicheuke kuti asiye
zvaaiita akapuruzira zamu rangu. Ndepapi
pandaizoita zvehuro iro zamu raive rave
mumuromo meshumba? Ndakada kusimudza
ruoko kuti ndimubate andisiye but anenge
aive akazvironga uyu nekuti akabva
atoshandisa rumwe ruoko rwake kundibata
maoko ese. Akapinza rumwe one mukati
muhembe akanobata padumbu ndokutanga
kupuruzira apa manyawi emudumbu mangu
makabva marira. Akataura futi hanzi “babie
uri kungoda kubvisa maoko angu zvandiri
kuita zviri kurwadza here?
Handichakurwadzisi shaar handidi kukuona
uchichema handitika babie?”
Ndakanhanzviwa muhuro iri way
yekundidistractor hake nekuti
pandakasumudza musoro ndichifambisa huro
kuti arege zvaaiita akabva awana mukana
wekuisa maoko ese pamazamu. Zijacket
randaive ndakapfeka raive nemabutton kubva
kumusoro kusvika zasi pamwe dai
ndakamavhara ndaizobatsirika. Uyu munhu
ainetsa zvake zvaaiita zvacho zvaibva
zvanyerekedza futi ndakatombonzwa sekuti
mazamu aya aive asiri angu. Ainyanya
kutambisa nyatso voice rakamboramba
kubuda simba rekumubvisa ndikarishaya ini.
Ndakazoshingirira kutaura ndikati “nhaiwe
unondiiteiko ndisiye.” Zvaive fun nekuti
ndakataura maoko angu ese ari pamusoro
peake asi ndakatadza kubvisa maoko acho
aitamba pamazamu. Akatoita seainzi wedzera
Innoe wacho nekuti akakwidza gumbo rake
pamusoro peangu kuita seaida kutondigarira
chaiko. Apa ndipo pakandipedza manje
ndakangozonzwa muromo wangu
wakusvetwa. Kiss nekubatwa mazamu
combination yacho haina kumira mushe
ndakamborasika njere. Rumwe ruoko
rwakadzika kunobata gadziko rimwe chete,
rwaitambira pamazamu rwaichinjanisa zvekuti
ndakapedzisira ndasumudza chipfuva
mudenga. Top yandaive ndakapfeka
akaisumudzira mudenga zvese nebra mazamu
akasara pachena. Akatozosimukira
akandibvisa jacket ndokukanda pasi apa
paakasimuka ndainzwa kubaiwa zvakasimba
paruoko rwekaright paaive akazembera
nepakati pake. Haana kugara pasi
akandidanyangira akabata matama angu
nemaoko ese aimi ndaisaziva hangu mazita
emakiss asi ndainyatsonzwa kuti pairohwa
makiss akasiyana-siyana. Akambomira
kukisser zvikanzi “babie-babie-babie
ndidairewo kani, unomboziva kuti ndokuda
here Purity zvekuti ndonzwa sekuti
ndoraramira iwe? Ndibatewo babie zvese
zvangu ndezvako ndiwe unondipa mufaro
mukadzi wangu.” Kutaura chokwadi ini hangu
ndainzwa kuti dai abata mazamu futi ndaive
ndanakirwa ini. Manje akazondigonera nekuti
paakapedza kutaura akaisa muromo pazamu.
Zvekubatwa zvandaiti zvainakidza zviya
kwaive kuravira iyi ndiyo yaive full plate
chaiyo. Ndakagomera ndangonzwa kudziya
kwemuromo wake chete pazamu.
Ndakawedzera kusimudzira chipfuva akabata-
bata kumusana kwangu achikatanura bra
yaive yaiswa pamusoro pemazamu tevere top
akaibvisa futi kureva kuti ndaive ndasara
ndisina chinhu kumusoro. Maoko angu
ndakamaisa pamapfudzi ake hamheno kuti
ndaimupuruzira here, ndaimusunda here kana
kuti ndaimubata zvine simba kuti asabve
pandiri. Kunakirwa uchapa ndiko kwandakaita
ipapo nekuti ndakatozopepuka short randaive
ndakapfeka ravhurwa zip nebutton zvese
atoridhonza rave mumabvi. Dai asina kuda
kundibata kuzasi kwangu pamwe
ndaingozoona ndashama. Ndakamboda
kurwisana neshort akaregedza zvake
ndokudzokera paweakness yangu. Kiss
nemazamu zvake apa aive akuchinjanisa
nemuromo zvese maoko aingoita basa
rekupuruzira musana, dumbu nekumagadziko.
Ndakanyorovedza pandaive ndakagara ipapa
ndipo pakarasika njere zvachose nekuti muviri
wangu wakabvunda ndichipera simba.
Ndakangonzwa kuti ndasimudzwa semunhu
aive akavhara maziso handina kunge ndaona.
Ndakapepuka ndatsikirirwa kunodai taive tave
pabed tese tisina kupfeka. Innoe aive tsotsi
pese pandaiedza kuda kudzokedzana pfungwa
aibva atotanga kundibata-bata zvinonaka kuti
ndirambe ndakadhakwa. Apa manje aiita
zvake zvekutamba nemazamu achindikisser
nekupuruzira pamusoro pechiweti futi zvekuti
ndaitonzwa kuda kusimudza makumbo.
Hamheno kuti chii chaakazoshandisa kuita
seaikwenya kuzasi kwangu chaitsvedzerera
apa aingotenderedza pamusoro nekukwiza
mumacheto achikwidza nekudzika ndichinzwa
kakunyorovera kwetumvura. Ko ndakazivei
zvangu kuti ishato yaikwezva nemavara ayo
ichiita seiri kure iyo yatosvika. Aishandisa
bakatwa rake nhai ndakangozonzwa
ndadzimbirwa pfungwa dzikadzoka dzese
ndikatanga kumusunda.

Innoe: mira babie haungandisiye ndakadai


ndinozorwara.

Ini: uri kundikuvadza kani pawakandikuvadza


futi.

Innoe: sorry babie ndikasara ndakadai ndoita


cancer, ayewa ndofa, ayewa ummmmm.

Hauzoseki nekuti unenge uri panguva


yakaoma aive mashura api aaitaura iwaya.
Akatozomanikidzira akapinda but hazvina
kunyanya kurwadza sezvaive zvaitika zuva
raive radarika. Misodzi yakabuda zvayo
musatambe nekututsirwa ronda pamusoro
perimwe. Iye paakangonzwa kuti apinda
akamoneredza maoko ake nemuhuro mangu
akati ochukucha hake chiuno uku achigomera
nekutaura zvinyoro-nyoro hanzi “Peeeee,
babie-aaa.” Ini ndaive ndakaomesa nyama
semunhu aitarisira kuwedzera kwemarwadzo
asi ndakatozonzwa kuti zvaitochinja kubva
mukurwadza pachiita kamwe kakunakiriraso.
Akawedzera kufambisa chiuno pakutoitika
sound yekurovera kwaaiita paisvika chiuno
chake pane changu. Ndaivek ndasungwa
nemaoko pachipfuva pakanyora nemate
nezvimusodzi zvaakabuditsa achigonyerera
ndokuzoti tasa achidonhera paside pangu
akambonyarara akadaro uchingonzwa
kufemereka.

End of chapter 15

Love you guys


CHAPTER 16
*Innocent*

Ndainakirwa nekuyemerwa munhu achitadza


kufamba ndichimusimudza. Ndaida
zvakawanda ini like kutochemerwa chaiko
munhu achiti “zvawakandiita zviri kurwadza.”
Kumuisa mumaoko angu zuva rese neusiku
hwese kwaisandiremera ndainzwa kuda
kumuvhumbamira sekamwana kacheche.
Ipapa chete ndipo paive pasara pekuti
tinyatsotaurirana ndainzwa pachipfuva pangu
pachivavirira ndipoka paaifanira kuzorora
zvake achideedzera “ndave nenzara, ndoda
kugeza, ndakuda kuchinja side rekurara naro,
ndoda kuenda kutoilet.” Honeymoon
inofanirwa kuve imwe moment
yamunombosiya pfungwa nenhamo dzese
dzemunyika moenjoyer zvenyu rudo rwenyu.
Nemudzimai wangu uyu ungati paitozoda
second honeymoon, iyi yaigona kupera asati
akukwanisa kana kunditarisa kumeso chaiko.
Ndaidawo kumudyisa ndichiti ndikaruma
ndosiya zvimwe ndomupa iri sign yekuti
pakati pedu tinenge tichishare zvese pamwe
une zvakafanana. Zvaitondishungurudza kuti
tigare takangotarisana nyaya chaidzo paive
pasina pakati pedu. Takamboenda kuclinic
ndichiti pamwe tikabuda kunze aizokwanisa
kutaurawo neni. Airarisa munhu wacho
takadzoka ndakutaura zvangu nadriver
achindiudza nzvimbo nezvimwewo zvandaida
kuziva. Paitove nekarwizi pedyo nepataigara
ndakaona vanhu vakawanda vakagarapo
patumabench twekuvakira yaive nzvimbo
yakanaka kutandarira. Marwadzo ndaive
ndichiri nawo asi aive ave nani pakuti kuita
weti kwandaiita kwainobatsira kusuka mukati.
Pandakazoronga zvekuti tibude zvakare zuva
rakurereka kupinda mutown
ndakabhowekana paakaramba. Ndaida kuti
tinotsvaka kwekurenter mota yataizoshandisa
pasina zvekufamba nadriver izvi. Hazvirevi
kuti mota idzi dzepalodge dzaive dzakashata
but kazhinji zviri risk kufamba nemota
yepabasa pamwe paizoita vanoziva kuti
ukaona mota yakadai ichitenderera mutown
inenge ine maforeigner akauya kuzoshanya
zvinova zvaiita nyore kubatwa nematsotsi.
Ndaive ndambotarisa painternet ndikaona
macompany two aive musame area mataive
umu saka zvaida kuti ndiende ndinonzwa kuti
maservices avo aive akamira sei. Akaramba
zvake kuenda ndikabatikana asi
ndakazokurumidza kufunga kuti shuwa
munhu uyu airwara nemudumbu nezviya
zvandakamubayirira mberi saka aidawo nguva
yekuzorora. Kurega kuenda futi kwaisaita
mumba maisave nezvekudya ini ndainyanya
kufarira chikafu chandinonyatsoziva kuti
chabva payi uye chiri safe here. Zvinhu
zvakaita semadrinks izvi taipiwa mumaglass
saka hauzozivi kuti munhu haana kutanga aisa
mate here. Mota yandakaenda nayo
yakangonondisiya mutown ndikatenderera
ndichitenga zvandaida. Nguva zhinji
ndakaipedza ndakagara pane imwe parking
lot ndichifonera vanhu kumusha. Makuhwa
aindiremera ndaitonzwa kuda kuchema
chaiko pese pandaitaura zvekuti ndaive
ndawana munhu wangu akazara. Mbuya mai
Munya vakafara veduwe hanzi “zvinodadisa
muzukuru pakadai munovaka imba yenyu
pafoundation yakasimba.” Hazvivanzwe zviya
kana munhu agona ungamuti akatadza here
chokwadi ngachingobuda sezvachiri. Vana
mbuya mai two ndakavaudza
ndokuzopedzisira nekufonera vabereki vangu
ndichiti vazive kuti takafamba zvakanaka.

Mama: ndange ndichitonetsana nadad vako


izvezvi ndichiti itai plan ndoda kunzwa kuti
vana vangu varisei.

Ini: musatityira mama takafamba zvakanaka


but Purity ari kurwara akakuvara n…

Mama: okay-okay ndafara kuti makafamba


zvakanaka.

Vakataura vachiseka vachibva vatodimbura


call yavo. Ndakatovatenda kuti vakakurumidza
kudimbura muromo wangu waive wakutoda
kuenderera vaizonzwa zvimwe. Neni
ndakazviseka ndaitoziva kuti dad vaizoudzwa
chete. Ndakuda kutsvaka tax yekuti
indiendese kumacompany emota ndakabva
ndafonerwa nasekuru Farai. Ava ndaive
ndisina kubvira ndataura navo nekuti sekuru
Nigel vaive vandiudza kuti vaive munzira.
Ndakadaira ndichivaudza kuti ndaive mutown
vakatoshamisika nekuti naivowo vaitove
munzira kubuda mutown kuti vaende kumba
hamheno zvavaive vauya kuzotenga.
Ndakavaudza pandaive ndakagara havana
kumboita nguva vaive vatosvika. Ndaida chose
kumbowana zuva rekuti tigoenda naPurity
kumba kwana sekuru kunoona mbuya but
ndakanzi aifanira kutanga apinda mumusha
ozoshanyira hama. Handizivi zvangu
zvazvaireva ndakaudzwawo patainzi taifanira
kudzoka kuSA takananga kuMberengwa.
Takatoudzwa kuti taizosangana nambuya mai
Munya nevamwe vaizomuperekedza.
Nasekuru Farai takataura zvese ndipo
patakapedzera nguva kusvika kwasviba
takagara. Vana sekuru vangu vaive
nemisikanzwa vakataura kuti panguva yataive
iyi ndaifanira kuramba ndichishingirira
mumarwadzo imomo. Hanzi “ipapa ndipo
paunogadzira size yako yaunokwana iwe
usambonyeperwa kuti vaya vane migodhi
inokonzerwa nekuzvara. Mukadzi paanobara
paya nyama dzinodzoka pasize yaaive asati
ave nenhumbu.” Vakatowana kwekutandarira
vaiti vaida kumbopa mbuya mai Natie mukana
wekuve namai vavo. Kumota handina
kuzoenda vakati vaizotuma munhu muzuva
raitevera otivigira mota then kana tapedza
kuishandisa takudzokera kuZim vaizotuma
zvakare umwe kuzoitora onosiya kumba
kwavo. Vakataura same reason yekuti muSA
maive musiri safe ivava vemota vamwe
vaishanda nematsotsi saka waigona
kukwenyerwa vachishandisa matracker avo.
Vakanditakura nezvinhu zvangu vakanondisiya
kulodge havana kupinda zvavo vakangoona
kuti ndaive ndasvika vakasiya ndakubatsirwa
kutakura zvinhu zvangu kuisa mukati.
Ndakanowana Purity akagara ndaitofunga kuti
ndaizowana aenda kunorara. Handina kunge
ndambozviisa mumoyo kuti ndaive
ndanonoka nekuti nguva dzaive dzichiri
kumapast eight. Aichema ndikati pamwe
arwara ko aive aonei mukadzi wangu asi
ndakazoseka akunyara-nyara. Ndaidiwa mhani
akatomutsa hushingi mandiri hwekuti
ndaitofanira kumupamha chete chero hangu
ndaive ndambofunga kumurega kwezuva
rimwe chete. Ndaive ndabvunza sekuru Farai
kana paine zvataikwanisa kushandisa
kuderedza marwadzo vakati “yes uripo
mushonga wamunogona kuzora but mazuva
ano mishonga yese zvayo yekuchipatara iyoyi
haisisiri kugadzirwa seye kare. Vamwe vakuti
vachizvirapa kudai vanenge vachitotanga
zvimwe zvirwere. Cancer dzazara shaar
sevanhukadzi vari padambudziko hombe
naiyo mishonga iyi nemapiritsi.”
Zvekurwadziwa paguvhu kwaiita Purity vakati
“ngaasanwe mapiritsi chandinoziva vakadzi
vazhinji vanozviita kana asangana nemurume
during her ovulation period. Urwere
hukajairira mapiritsi hauperi usakanganwe
kuti mapiritsi aya idrug unotopedzisira wave
addicted in a way that kana uchianwa
natwelve nguva dzikangodarika ipapo
unototanga kurwadziwa. Zvikaramba
zvakadaro moenda kuchipatara poitwa matest
asi pamwe kungovhunduka vaenzi vakapinda
mumudumbu zvinopera izvo kkk.” Vaiseka
sekuru vangu asi vakafara chose sekuti vanhu
vakawanda ndizvo zvavaitarisira kuti semwana
akazvarwa ari one matambudziko aifanira
kuzoitawo mashoma pakutanga kwangu
mhuri. Nyaya yavakaramba kunzwa nezvayo
ndeye mwana ndakambovadembera ndikati
“sekuru mukadzi ndave naye andipawo
mufaro dai mwari vandinzwawo
ndisazosangana nedambudziko rakasangana
nevabereki vangu.”

Farai: ukangofunga izvozvo chete


watokanganisa zvinhu zvese. Rega mwari vaite
basa ravo unoti kurarama kwawakaita iwe
pakati pevamwe vaifa mwari havazive here
chinangwa chavainacho? Iyoyo pfungwa
itoidzima zvako zvimwe zvatinotaura
nemuromo ndizvo zvinotidaidzira
matambudziko. Ini ndichikura ndaiti ndikaona
musikana uya anodisa varume ndaitozviudza
kuti vanomuregerera uyu ndikamutora
ndomupedza dzungu rese. Hona zvakazoitika
pakuroora kwangu mwari vakandisanganisa
naOlivia kuti ndione kuti zvimwe zvinhu
hazvisi zvekushuvira muupenyu.

Ini: ndapanzwisisa sekuru.

Ndiwo mashoko chaiwo atakapedzisira


kutaura pavakandisiya palodge nemota
vachibva vadzokera. Chakaita kuti ndinyepe
kuna Purity ndichiti mota yaive yaita accident
ndechekuti aizorwadziwa kuti ndakanoswera
nasekuru Farai vakauya nekudzokera vasina
kumuona. Panguva yataive iyi ndaitoziva kuti
aidawo kuona chero munhu one zvake
wekuziva ko ndizvo zvataiitaka tichiri kukura
tiri paAmerica apa waitoti ukaona munhu
anobva kuAfrica zvake waitonzwa kurerukirwa
sewasvika kumusha. Ndaisada futi kuti azive
kuti taive pedyo nekwaive nana sekuru Farai
sezvandamboreva kuti akanzi aizotanga
kushanya kana abva kumusha kunotamba
huroora. Pandakaona agadzikana ndakadya
ndichingotaura naye hangu tunyaya turi
general iye aidya magrapes ndiwo aakati aida.
Ndakaenda kunogeza uko kwandakanoita
makuhwa navaMapanzure vemuhembe
ndichivaudza kuti vaitofanira kushinga
zvehudera hwekurwadziwa pakudya zvaive
zvevanhu vari weak. Kutogeza vakamira zvavo
sevaive nemakumbo naivo vainzwa kuda
kupinda musango kunovhima chaiko.
Ndakatodzoka muviri wakuda zvinhu zvawo
ndikatangana nayo romance. Akambotanga
achirwisa-rwisa asi munhu akabatwa
zvakanaka unonzwa achisebera pauri kana
waita kakumusundira kure. Ndizvo zvaaiita
Purity ndaimbomuedza zvangu ndoita
sendinoregedza zamu aibva atevera ruoko
rwangu nechipfuva. Pandakamusimudza
takuenda kubedroom akabatirira kumusana
kwangu achiita kakubhabhadzira netugunwe.
Mafemero aaiita manje ko ini ndaiziva kufema
kwemunhu akudaka ndaisave mutsva
pamutambo uyu. Ukangonzwa munhu
akufemereka bata kuzasi kwake unzwe
uchinosangana nemvura ikoko wotoziva kuti
chasara kupinda chete. Kaive kavirgin
kechokwadi-chokwadi kani nzira yaive ichiri
kurema kupinda ndakatomborwadziwa
ndikafunga kuti vana sekuru vaive vandipa
advice yekuti ndirwadziwe vagondiseka.
Uchipinda kudai wainzwa kukweshera
kumadziro naiyewo akapepuka mukunakirwa
kwaaive amboita tichiri paromance ndikati
nechemoyo “nhasi ndorumwa futi amana.”
Kurumwa ndaitya chaiko ronda raakandipa
padama raitondishungurudza kunyanya
pandaiisa mushonga wandakatenga rairwadza
nekubuda mvura. Sekuru Farai vakati ndiwo
aive mashandiro awo mushonga wacho kana
dai waingoti zii zvaitoreva kuti wainge
wakaexpire. Ndati kaive kavirgin kechokwadi
ko iko kunaka ndati kunaka kani kutapira
chaiko. Ndaida chose kupedza kana two hours
dzakakwana ndiri pamusoro sezvo ndaive
ndawana mukana ndaisaziva kuti
aizondibvumira here. Nguva yekurasa mbeu
yakandikasirira ini apa muviri wese waive
wakuita sewaiswa pamagetsi ekunaka.
Ndakaedza kudzikisa musoro kuti ndipedze
zamu riri mumuromo asi ndakanonoka
ndakainzwa ichiita kudururika mbeu
ndikasebedza mberi zvekuti ndainzwa kuti
mabhora ega ndiwo aive asara kunze
ndokunokutura zvese imomo. Ndakamboita
nguva ndakarara paside pake ndainzwa kuti
simba rese raive rapera chero rekusimudza
chigunwe chaicho paive pasina. Dai ndaive
mukadzi hapana pandaizoshungurudzwa
nemurume ndichitya kuti anondikurira simba.
Iyo iya nguva kana uchida kuita revenge zvako
inoburira kunyatsotaimira abva kuburitsa
mbeu anenge asvetiwa simba rose
mumabhonzo. Ndakazomuka papera
maminutes anoverengeka ndikatendeukira
kwaari ndokumumbundira ndakaisa musoro
wake pachipfuva pangu. Ainetseka kufema
anenge aisada kunzwikwa kufemera padenga
kwaaiita saka aiti akaita nguva ari zii ozotura
zikubefu achishandisa mhino zvese
nemuromo. Ndakamupa mukana wekuti
agadzikane ndichipuruzira kumusana kwake.
Ndakabvisa bvudzi raive rakamuvhara kumeso
achibva atanga kurwisa kuda kubva
pachipfuva pangu ndikamubata zvakasimba.
Ndaive ndamufukidza jira kusvika muchiuno
chete saka akatanga zvakare kudhonza jira
ndikamubata ruoko. Aifanira kujaira kugara
akashama taive tatove mukadzi nemurume
hapana chaizochinja apa.

Ini: babie thanks …


Purity: (achiita seanoda kuchema) ndiregedze
ndoda kurara pangu ndega.

Ini: babie ukaramba uchidaika unenge


uchizviomesera ko kuita zviripo panguva iyoyo
tidarike stage yatiri iyi? Ndiyo definition
yemarriage chaiyo iyi kwete zvatainyeperana
paya takamirira muchato. Wakandiita
murume babie but hausikuda kundipa
mukana wekutaura zviri pamoyo. Ukaramba
uchindihwanda uchaona kuti kuve kwedu
pamwechete kuchakuremera zvekusvika
pakushuvira kuti dai wadzokera kumba.
Inguva yedu ino tiri two manje tikatadza
kunzwisisana kuzoti patichadzokera kumba
uchatotyaka kuenda kunorara kuroom kwako
uchiti vana mama nadad vanozoti chii? Waidei
uchifara Purity nguva yekuchema
yakatodarika seni hangu ndiri panguva
yecelebrater nekuti wakandifadza. Kuda hako
hauzivi kukosha kwazvo asi ini ndipewo nguva
yekufara babie ndokumbirawo. Kufara
kwangu kwacho kunovepo kana iwe uchifara
kwete uchigara uchichema. Ndiripo babie
kana pane chaunoda ndiudze ndizive. Pamwe
wakaita zvawange usingadi hako ndibudire
pachena.

Purity: zvei?

Ini: kuroorwa nemunhu wausingadi nekuti


ndotomboedza kutarisa kuti tiri kuendepi
handisi kuona ini. Hautauri neni, ndikakubata
unotanga kuchema-chema handizivi zvaunoda
chaizvo.

Purity: aaa.

Ini: sorry hako kana ndataura zvausingadi


pamwe ndiri kungofungidzirawo zvisipo. Hona
ndiri kuedza kuti usazviomesera kana
uchingondida nemoyo wese haufanire
kusungikana ndiripo. (Ndichimubata padama)
kusvika pauri apa ndoziva kuti wakasangana
nemiyedzo yakawanda. Vamwe vanorasikirwa
nehusikana vari kuprimary chaiko
vanyengedzwa nemari. Hakusi kupusa kusvika
pauri apa wakakwana babie but kuzvikoshesa
ndiko kwakakupa simba. Ndinotoshaya kuti
ndokuudza sei mufaro wandinawo, hamheno
kana iwe uchiona hako sezvisina basa
chindipawo nguva yangu handiti.

Purity: ndoda kuenda kunogeza.

Ini: toenda tese rega ndikusimudze.

Akaramba but ndaibva kumutsiura so


ndakangonyarara hangu akazvimoneredza
nezijira ndokutatarika achienda. Ndakamirira
kuti atange kugeza ko painzwikaka zvese kuti
now mvura iri kubuda kana yavharwawo
paiita runyararo pozoita noise yekugeza.
Ndakasumuka ndikabvisa sheet raive razara
tsvina taive tanyorovedza nekuda
kwekunakirwa. Ndakatevera ndikasvika
ndichibata door ndokusundira mukati aive
asina kukiya. Akavhunduka akatsvedza mutub
ndokudonhera mukati mvura ichipfachukira
kunze. Apa dai akakuvaraka ndaimurega
akadaro zvaizoda here kuramba
tongonyengererana nezvinhu zvisina basa. Iye
akandiona ndakashama ini ndikamuonawo
akashama saka chaishamisira chii? Zvimwe
hazvidi kunyengererana unotomboshandisa
chisimba kuti zvibude. Nekuita kwake ikoku
dai ndakada kutamba soft-soft pamwe aidei
aingovharira humhandara mupant achipa
zvichemo zvisingaperi. Handina kumbobvunza
kuti “wakuvara here” ndakamubatsira kumuka
ndikatora sipo ndokutanga kuzorera muviri
wake. Akabvunza hanzi “uri kuitei nhaiwe”
haiwa aibvunza zvaaiona aida kushandisa ani
ndakabva ndatopinda mutub imomo. Kurwisa
kwaakamboda kuita kwakakonzeresa ndinzwe
aikaka ndatoipirwa aive akutobaiwa
kumusana sezvo airwisa akandifuratira achida
kubuda mutub. Ndakambofunga
kumukotamisa ndikaona kuti semunhu aive
asati apora aizonyanya kurwadziwa.
Ndakatanga kupuruzira nekumubata chaiko
zvangu zvandaiziva akapedzisira adzikama.
Maziso anoreva ega kana munhu akuda
anenge atsvuka nekunyorovera kuita sekuti
akuda kuchema. Ndakaita misikanzwa zvangu
akunakirwa nekubatwa mazamu ndikati
“uchiri kuda kugeza here ndikutakure
ndigodzoka ndogezawo?” Akabuda asina
kupukuta achiratidza kunyara chaiko anenge
aive atogadzirira kuti pamwe pane zvichaitika
kana kuti pamwe ndaizomutakura
sezvandakaita tichibva kudining ndikasvika
ndichimupa zvinonaka. Ndakasara
ndichiimbirira nekuridza kamuridzo kuri
kuzvidzora kuti ndisaseka ndaisada hangu kuti
andivenge.
Kutaura dzimwe nguva kwakanaka
unorambaka uchingonetseka mumoyo
nekurwadziwa pane kuti uzvibuditse kana
munhu achida kuchinja kana kusachinja
unozoziva zvekuita mberi. Apa ndaive
ndatozvipira kuti ndikangowana apinda
mumachira akapfeka ndaizomudamburira
hembe chete. Ndakawana akarara kumadziro
chaiko ndokufuka jira kuzvivhara nemusoro.
Handina kutaura ndakasvika ndichizora
mafuta nekupfeka boxer short isina pant
mukati ndikaenda pabed. Paive nerimwe jira
raaive apeta akaisa kuside kwangu
ndakaribvisa ndikariisa muwardrobe
ndokudzoka pabed. Ndakapinda imomo
maaive akafuga ndikamubata kutotsvaka kuti
ndinzwe kuti aive akapfeka here. Aive nepant
chete akatomborasa ruoko rwangu
pandairufambisa ndichibva ndangorara pedyo
naye ndokukwidza gumbo nechekumusana
kwake. Hamheno pamwe ndaimumhanyirira
hangu sezvo iyi yaive second night tiri tese
asiwo taizosvikepi tichirara umwe neumwe
mujira rake. Kuzvitendera pakutanga raisazove
dambudziko here kana zvatora nguva
zvakadaro pamwe aitozoti ndizvo zvaive
zvakanaka? Akaramba akati zii haana kubvisa
gumbo rangu ndakabva ndatoisa neruoko.
Pamwe aifunga kuti ndichamurega ndichiti
aive abatwa nehope manje ndaive tsotsiwo
futi ndaiziva musiyano wemafemero emunhu
akarara neasina. Aifanira kutojaira kuti kana
tiri pedu tega anenge ari mumaoko angu, izvi
zvekumbomuti arare akafuka jira ega musi
wekutanga nezviya zvaakanogara naamai vaya
mundege ndaitomupa manyawi. Hapanaka
pangapindira hama pazvese-zvese taitozogara
tiri vekureporter nhasi zvakati mangwana
zvakati. Akasvika pakubatwa nehope
ndikamurarisa zvakanaka ndichimubvisa
pawall paaive akaita seakanamatidzirwa.
Iniwo pasina nguva hope dzakandibata
semunhu aive aguta zvese mudumbu nekuzasi
chaive changosara kuzorora. Ndakarara
zvakanaka kusvika kwakuda kuchena
pandakamutswa naPurity aikwira pabed
anenge aibva kutoilet chete. Kuzoda kufamba
zvinyoro-nyoro kuti asanzwikwe ndiko
kwakamukanganisa kutsika akadonha
achinorovera pachair neruoko. Ndakaburuka
pabed ndikamuti “waita sei, wadii kundimutsa
ndakuperekedza?”

Purity: ndange ndaenda kunonwa mvura.

Ndakatarisa mvura yaive pakatable


yaitoratidza kuti haina kumbonwiwa, akanyara
achibata kumeso kwake ndichibva
ndamumbundira. Aive akamonera towel
hapana paaizofamba imba yese akashama
aitodawo kupiwa nguva pamwe zvaaive
akwanisa kurara asina kupfeka aizojaira.
Ndakamudenha ndikati “ndiperekedze
kutoilet unondimirira.”

Purity: hakusi kubuda mvura uko …

Ini: wazviona sei iwe wange waenda kunonwa


mvura?

Akaseka kekutanga kubva zvatakaenda tese


kuhoneymoon achibva andidira mambama
asingarwadzi pachipfuva. Ndakamusimudza
tikadonhera pabed towel richisununguka
mazamu akasara pachena. Takaita sevanhu
vaitamba asi kwazvakazosvika kuseni ikoko
kure-kure. Kwaitonhorera kachando kaya
kanorova kana kwakuchena saka miviri yedu
yaiita seyabatidzwa moto. Ndizvo zvimwe
zvakakonzeresa futi nekuti kaidziya
zvinongoita kuti unzwe kuda apa
ndakazobatanidza nekunakirwa kwandaive
ndaita patakaita tisati tarara pfungwa
dzakabva dzatokanganisika. Chaigona
kunditadzisa kunakirwa naye misodzi nekuti
ndairwadziwa pese pandaimuona achichema.
Kugara kwake achifara kwaindipa simba rekuti
ndaitoda kuzorora chete ndichidya dai
zvaibvira kwaitoita chero mutemo wekuti
aroora haachaendi kubasa ini ndaida hangu.
Chaive chasara pana Purity kuratidza kuti aive
mupenyu kana takuita zvinonaka izvi like
kungoitawo sound, kufambisa muviri
nekundibatawo achipuruzira hamheno
pamwe zvaizoitika mumazuva aitevera. Izvi
zvataiita ndini ndaishanda basa rese kana
ndichitoda kuenda mberi ndaiisa maoko
kuseri kwemagadziko ndomubata zvakasimba.
Dai aisimudzirawo chiuno zvaiita nyore
kwazvo simba iroro randaishandisa
kumudhonzera pedyo raitozove rekuwedzera
pace pamutambo sekuti the more you hit the
more inoita kuti unakirwe. Takapedza
kuchinyatsochena handina kufainter hangu
apa ndakatotora nguva ndichimukisser
kusvika tese takufema zvakanaka. Kunogeza
takaenda tese tikamusiya takumbonotarisa
kuti mvura yaaiti yaisasvika kutoilet yaive
yaita sei. Zvaitoda varidzi izvi ndakaenda
kudining ndikanofona vakati mukomana aiita
nezvazvo aizouya kana seven yachaya.
Maigarika zvamo mumba akanga azviona
Purity asati akanganisa toilet yacho. Ndichiti
ndinogezesa munhu takadhumhana padoor
achibuda akaseka hanzi “wakaura
ndatopedza.”

Ini: ndichakubata zvako imhosva iyoyo kubuda


kunogeza usina kundikwesha musana.

Purity: handigoni.

Zvakawanda tingataure zvedu asi ndipo


pandakaona shanduko pane zvese zvataiita.
Takaswera mumba asi handina kubhowekana
ini sepamazuva ekutanga nekuti taive
takukwanisa kutaura achipindura. Mota
yakauya ndikamuudza zvekuti yaive yasekuru
Farai akatobvunza kuti taizoenda kunovaona
rini. Ndaive ndakudemba kuti chandakaitira
kuti mota iuye zvangu nekuti takagara two
days dzese tisina kuishandisa. Ndaisweraka
ndakambundira munhu wangu tichiona tv
zvedu apa chandainyanya kutsvaka mukana
wekumboita masikati. Ndaida zvakare
kumupa akakotama iyi ndaiida zvangu though
pana Marian ndaizobhowekana kuti aibuda
mazimhepo ekudhamba achirira ndaibva
ndatopera simba yorara. Aifanira kuziva kuti
ndiyo style yandaifarira iyewo kana aizoita
yaaida ndaive ndakagadzirira kumuitira
zvaizomufadza.
Day rechithree kubva zvaive zvauya mota
takamukira kuenda kutown takunoita
shopping yaizosanganisira zvese zvataida
kuenda nazvo kuZim. Iyi yakafamba zvakanaka
taifamba takabatana maoko mushop uye
taibatsirana kusarudza tichionesana
zvakanaka kubva kuquality nemacolour.
Zvimwe taitenga zvakafanana zvaida
kunyorwa takanosiya kumwe kwandaive
ndamborairirwa nasekuru Farai vachiti ndiko
kwavainyoresa mauniform evashandi vavo.
Anenge aitya nyaya dzatainzwa dzemuSA
Purity nekuti pamwe pacho ndiye aitondibata
ruoko aisada kuti paite vanhu vanofamba
nepakati pedu. Munhu akaswera achikubata
nekukuyemera zvinongoita kuti unzwe rudo
apa ini ndaizoti zvangu kana takutenga
ndomboita zvemakiss aibva anyara hapana
paaizotiza pavanhu. Takadzokera achitotaura
nyaya iye taive taona vaya vanhu vanoita
zvekuridza vachitengesa madisc mustreet.
Kamwana kavaifamba nako kaitamba
zvinoyevedza ndiko kaaingoti padiki-padiki
“saka anenge azvidzidziswa nani zvese izvozvo
mwana anoratidza kuti igrade one.”
Akazondiseka pandainyepedzera kutevedzera
ndakagara akati “unotyoka haungazvikwanisi
zviya hazvisi zvako.” Kutaura nyaya hakusi
kunzi ngadzive dzine musoro chete asi
chakakosha kutaurirana chete. Isu taitoseka
kana nevaitiona pamwe vaitoti zvavo vaviri
vari kunakirwa. Taive tasiya taendesa hembe
dzedu kunowachiwa saka takangoti
tichiburuka ini ndichitakura zvinhu zvedu
kuisa mumba Purity achienda kunotora
hembe. Paakadzokak akawana ndavhurira
mvura mutub yaive yakwana nguva yekuti
ndichimuratidza style yangu yaindiita
ndinyatsonzwa kuti ndapiwa bonde.

End of chapter 16

Love you guys


CHAPTER 17

*Purity*

Maronda ekuzasi uku anenge anorapiwa


nechinhu chinenge chamakuvadza nekuti
kuchipatara havana zvavakakwanisa
kutibatsira nazvo. Ndaitoti Innoe ari kuita
utsinye hwekuda kundidzokorodza ini
ndichirwadziwa but pese paaiitaka
ndaitozopedza ndakunzwa kamwe
kakunakirira uye pakufamba marwadzo aibva
aderera. Ndakatanga kuzvinzwa izvozvo
paakandiita kechitwo aa ndakatogeza ini
kuzasi mvura ichirwadza zviri nani pane
pandakageza abva kundidambura tsinga.
Takarara akandimbundira ndichipota
ndichipepuka kuda kuona kuti aive andisiya
here. Zvaisataurika hazvo kuti ndozvida asi
hamheno zvaunongonzwaso kana warara
wakabatwa apa aimbopota achimuka
achindigadzirisa jira nekundipuruzira.
Kwakuda kuchena ndaive ndakiiwa newiwi
ndikamuka zvekunyahwaira chaizvo
ndaimuziva aigona kutoti akundisimudza
andiperekedze kutoilet. Ndakanosvika
ndikaita wiwi pakuflasher ndakaona kuti
mvura yakabuda shoma. Ndakanoshandisa
kabin kadiki kuchera mvura mubathroom
ndikacleaner mukasara makachena.
Ndakatotenda mwari ipapo dai ndakaita
number two maizonzwa kuti ndakaita
rekusenga kunorasa panze. Ndaisada
kuonekwa kuti ndaive ndambomuka
zvinopakunokwira pabed ndakakanganisa
kutsika ndokuzvambuka. Ndakanyara kani
Innoe amuka apa munhu wacho aibvunzisisa
zvese-zvese dai ndaive ndisina kumonera
towel ndaimunyepera kuti ndaive ndaita
mararo. Ipapa ndipo pandakaona kuti
ndaingozviomesera aaa ndaizosvikepi shuwa
ndichigara ndakasungikana Innoe wacho
aisanyara uyu. Aiti kana achipinda mutoilet
kunoita wiwi aitomira zvake door rakashama
achideedzera tunyaya uchimuona otoflasher
nekugeza maoko odzoka zvake. Door aivhara
kana achiita number two asi zvakare aisanyara
ini ndaitoti kana ndanzwa number two
ndaimirira paaibuda kuti ndizvibatsire.
Patakapedza kutaura zvekudonha kwangu
akatanga futi zvake zvekuda pakati
pemakumbo ndikakwaturwa-kwaturwa. Izvi
zvainaka ndakangonzwa kapain achitanga
kupinda pamusiwo chete. Ndaive ndave
kunzwa zvimwe zvezvaiita kuti zvinhu izvi
zvinake like paaipinda paya akatanga
kufambisa chiuno aimi waidana mai nababa
mumoyo. Kutodanira mumoyo futi kwaive
kuzvidzora otherwise waitonzwa zvichikutuma
kuti deedzera. Handina kumbochema ini
ndakangonyara-nyara sekuti kana wapedza
unobva waita sevaya vakazoona kuti vaive
vasina kusimira. Panguva yacho unenge
waputirwa nekunakirwa nekuti pfungwa
ndiko kwadzinenge dzaungana ikoko.
Akambomhanya kunotarisa kuti mvura yaive
isingabudi mutoilet yaive yavharika papi ini
ndikasara ndichigeza fast ndokutobuda.
Akabhowekana tichisangana padoor
ndikaseka ndaive ndamuwachisa. Ainetsa
Innoe naiko kuda kubata-bata munhu veduwe
akambozviita tichigeza ndikatanga kunzwa
kutamba-tamba chibhasikoro kuzasi kwangu.
Chairwadza ndechekuti ndaisakwanisa
kumuudza kuti asandirega nekuti ndainyara
uye kutya ndaive ndichiri nako. Ipapa
paakandibata mubathroom akabva andisiya
ndikanetseka kuti zvipere ndaitonzwa
zvichindituma kuti ndizvipuruzire kuzasi. Regai
ndingoti muviri wangu waingochinja,
kuchikoro ndaizodii veduwe ndaizokwanisa
here kuswera ndisingabatwi? Takamborara
hedu kuseni ikoko tapedza kudya breakfast
tikamuka afonerwa Innoe achinzi aidiwa
kureception. Akadzoka achiti aive anotora
makey emota yaive yatumirwa nasekuru baba
Natie kuti tigoshandisa kana paine kwataida
kuenda kunotenga. Haana zvakawanda
zvaakataura pamusoro pavo akangoti vaigara
kure apa vakaita zvekumufonera vakati
vakutumira munhu nemota. Ndaida kunoona
sisi mai Natie ndaive ndagumisira kuvaona
pamuchato wavo. Vaindida zvavo vaitondibata
semunin’ina wavo chaiye uye mari vaindipa
chero zvangu ndaiperekedzwa naInnoe asi
hapana zuva raidarika vasina kundipa
yetransport.
Mota yacho ndakatoshaya kuti aive aitorerei
zvake Innoe taingoswera takazvivharira
mumba isu mazamu angu achimaita matoy
ake. Akataura zvakawanda panguva iyi
zvekukura kwake kusvika aenda kuchikoro
kuAmerica. Chandakaona hangu ndechekuti
airwadziwa Innoe nekuzvarwa kwaakaita ari
one asi zvakare aida vana sekuru vake
aitovatora sevakaberekwa mudumbu rimwe
chaimo. Izvi zvaindibatsira muchinyararire kuti
ndigokwanisa kuda vese vaaida nekuti
zvinopa mufaro mumba. Chimwezve chaida
kunamatirwa zvakanyanya inyaya yekufirwa
nevana kwaiita vabereki vake. Aingobvunza
hanzi “ndezvipi zvinoitika mufamily like
mahereditary features?” Ini ndaizivei hangu
ndakangomuti “hakuna chinhu chinonzi chiri
genetically transmitted kana usingavimbe
mazviri. Ukangovimba kuti mwari vanopedza
matambudziko ese unenge watowana answer
yakakwana.”
Ndakapedzisira ndisisamuudze ini
zvekurwadza kwaiita mudumbu wangu izvo
zviya zvekubaiwa nemabayo. Ndaiona kuti
aitotaura zvevabereki vake pese pandaimuti
ndakurwadziwa maybe aifunga kuti zvaive
zvatondibatawo. Chandakaona ndikanzwisisa
ndechekuti muupenyu hapana asina
matambudziko ake. Ivo vaya vane mari
vatinoyemura vachifamba nemazimota
vachigara pakanaka pamwe ukatoudzwa kuti
usiye hwako upenyu urarame hwavo unogona
kuti better kugara nenhamo yangu.
Pakubudirira paya miyedzo inowanda nekuti
hama dzinenge dzichirwisa kuti
dzikudonhedze pasi. Aitaura kuti baba
Mapanzure vakatanga kuita zvepolitics vachiri
jaya kwazvo saka vanhu vakawanda vaive
vaisa maziso kuti wangu mwana akaroorwa
pakadai ndotodyawo. Vanhu vaive nekabelief
kaya kekuti munhu anofanira kuroorera
munzvimbo maakakurira. Akazoti inyaya
dzataifanira kutaura tisati taroorana idzi asi
nekuda kwekuti miyedzo yacho yaive
yakawandisa zvaisakwanisika. Aitodawo
kuziva zvakawanda pamusoro pangu asi ini
history yandaingove nayo ndeya dad vangu
chete. Zvaakaita zvekundiudza nyaya dzake
zvakandivhura meso nemoyo kuti ndione kuti
chokwadi muupenyu hwake aidawo munhu
aizove pedyo naye nguva dzese. Munhu
aizomurerutsira nekutaura naye kuti agare
achifara nguva yekufunga matambudziko iite
shoma.
Pamazuva atakapedza takazvivharira mumba
aya ndakanyatsonzwa kuti nyama dzangu
dzaive dzapora. Akazoronga zvekuti tiende
kunotenga sezvo weekend taifanira kudzokera
kuZimbabwe tichinodarikira kuenda kumusha
kuMberengwa. Mari aive nayo yakawanda
hapana chaakandivanzira akandiratidza zvese.
Pandinoti zvese ndoreva chero zvebusiness
rake nezvaaironga kuti rikure aite mabranch
muZimbabwe yese. Inini ndakanzi hapana
chaizonditadzisa kuenda kuchikoro chero dai
ndaida kuzonodzidza kunze kwenyika
aizvigashira. Innoe aisave munhu akaoma
moyo henyu ndakatoshaya kuti vamwe vaya
vana vevapfumi vanozoita utsinye zvinenge
zvabva payi. Tomboti kwaive kuchiri kuseni
pamwe aizochinja zvake nekufamba
kwenguva.
Takaenda kutown zvakanaka aimi dai ndaive
ndega ndairasika ini maiti mukapinda paMall
waishaya kuti uri kubva kupi uchienda kupi.
Mashop acho epamusoro-soro oga kani
vaitengesa hembe dzakanakisisa. Innoe akati
ndisarudze chese chandaida kwete
zvekumbotarisa maprice. Takatenga chaiko
ndikatsvakira vamwene vangu madinner
plates atakanonyoresa kuti “best mom in the
world” mukati. Yes she was indeed a strong
women zvaaitaura kuti vakasangana nazvo
mumarriage yavo zvairema. Paaindiudza
kwaisave kuita makuhwa but waitoona kuti he
was really concerned kuti ini semuroora wavo
taizogona kugarisana zvakanaka here. Ndaive
ndakamboudzwa hangu nambuya mai Munya
vachiti “usafe wakapa murume mukana
wekuti asarudze pakati pako iwe mukadzi
wake naamai vake nekuti haubudirire. Hapana
murume anosiya amai vake nekuda
kwemukadzi unogona kukunda kwemazuva
ekutanga asi akazodzamisa pfungwa anoona
kuti amai havana replacement. Mwana
akarairwa haatukane nevanhu vakuru kana
waona vatsamwa varege vapopote then
wozovatsanangurira zvaunoziva vave calm.
Amai vemurume vakangofanana nevako
havarohwe unogona kuti handina ukama navo
havana basa asika vana vako vaunozvara
zvinovawana.” Ese mashoko avaitaura aisave
ekufambisa mazuva emuchato asi vaindipa
chenjedzo kuti ndisanonyadzisa mumusha
mevanhu.
Hatina kusiya ndiro chete kwatakanonyoresa
takatengawo hembe dzedu dzakafanana
nemasheets ataizoshandisa tadzokera.
Kazhinji kana mukadzi achitanga imba
anoshandisa zvinhu zvitsva seni ndaive
ndakatokumbirwa nekuchata ndaifanira kubva
kumba kwedu ndakarongedzerwa zvese.
Ndaisaziva hangu kana zvaivepo sevanhu
vakasumuka muchato usati wapera pamwe
vana mama vakazobvisa havo pazvipo. Iye
Innoe hapana kana chaaitaura nezvezvipo
pamwe aive asina basa nazvo hake. Zvinhu izvi
zvakaenda kunonyorwa zvaizounzwa
nedelivery takasiya tabhadhara mari yacho
vakati vaizofona vapedza.
Mukufamba kwataiita tichitenga taisangana
nevanhu vemazera akasiyana-siyana.
Ndakayemura kuzvibata kwemamai echikuru
pamiviri yavo vaisaita sezvaiitwa kwedu
kuZimbabwe. Kwedu munhu akangove
nemuroora kana mukwasha step yotochinja
anenge akuzviti achembera. Mugoona vanhu
vakadaro paanofirwa nemurume unoona
akuda kudzokera pakuzvigeza nekupfeka
zvakanaka kuda kukwezva zvidhara
zvemuraini. Ndiri kutaura zvandakaona
zvichiitika pedyo-pedyo nepamba pedu pane
vamwe amai vaive vave nethree years vafirwa
nemurume wavo. Murume wavo ari mupenyu
vaipfeka maziskirt marefu nemazidress
akangodaro-daro asi zvese izvi zvakachinja
vakupfeka matrouser nemashort voti
kuzvipoda kumeso waioma mate. Vanhu
vakawanda vaichema kuti varume vavo
vaiperera pamba ipapo uye vaitotaura kuti
“ndomusiya kana ndoda handiudzwe zvekuti
murume wangu munhu ndewaMwari.”
Ndakademba kuti musi watakapinda mutown
paya tichibva kutown dai ndakangoburuka
mumota hangu ndikagutsa meso. Takadzokera
kulodge ndisati ndoda ini sepatakasvika pane
vanhu vaiita zvekuridza nziyo vachitamba
ndakanakirwa. Innoe akati “ndipo panobirwa
vanhu pakadai ipapa vanenge vachitove
neconnection nembavha.” Zvisinei hazvo
takanosvika ndichienda kunotora hembe
dzataive tasiya taendesa kunowachiwa.
Kwaive zvakare nemapant angu
andakanokumbira kuyanika kuwaya
yaishandiswa nevaiwacha masheets. Innoe
haana kundipa mukana wekurongedza akati
tiende kunogeza. Zvekugeza here taive
tasangana vaida mvura vese neniwo
ndaitonzwa kuremerwa kuti ndigare
ndichinhuhwa dikita. Ko ndaizivei hangu kuti
Innoe aitove nezvaaive akahwandira. Ndaive
ndabvisa hembe ndikasara nepant zvaisaita
kumira mberi kwake ndakashama
zvekuperera. Akatanga zvake zvekundibata
anenge aive akuziva kuti maoko ake aindiita
ndinzwe kuda kufainter. Zvechokwadiwo
pasina nguva ndaive ndakuita semunhu
adhakwa akabva andibvisa pant. Ndakatanga
ndichiramba kubatwa kuzasi ini zvaingoita
ndive uncomfortable. Akaona kuti hapana
chingabude achibva andisumudza
akanditakurira padumbu pake makumbo angu
akapotera kumusana kwake. Akadzikisa
muromo akatanga kuyamwa mazamu angu,
izvi ndaive ndazvijaira chero kurwisa chaiko
ndaive ndisisaite nekuti ndaitya kuruzirira.
Akanondigarisa patub ndakawarairwa
akanobata zviya zvataimanikidzwa namama
kudhonza akapuruzira. Zvaibatika zvazvo but
pane zvaPaida zvangu zvaive zvidiki.
Zvandakanzwa ipapoka ndakademba mumoyo
kuti dai ndakangotatamura hangu zvakasvika
mumabvi. Handina kumbotya zitree-trunk
raive rakanditarisa ndakatotangawo kuona
ipapo kuti raizara tsinga kana ratsamwa.
Ndakabatwa kuzasi uku kusvika makumbo
angu asisagone kudzoreredzeka kuzovhara.
Patub pandaive ndakagara pairwadza
kumagadziko so ndakaita kakusimukira
achibva atondisimudza akanditendeudza.
Kutaura hake panguva iyi aiita seaive
akabairirwa battery ndaiudzwa rudo rwese
nevoice raaitombokwereta kuti ashandise
chete paanenge akuda kuita misikanzwa.
Ndaitarisira kusimudzwa kuenda kubed ko
ndizvo zvandaizivaka zvaakandiratidza kuti
zvinoitwa pamutambo. Akasimudzira gumbo
rangu rekwaleft ndikatsika patub ndikanzwa
aikaka munhu akutondibaya kumashure
achitsvaka nzira. Ndakaratidza kuvhunduka
akati “mira babie handimbokurwadzisi.”
Akaunza muromo wake pane wangu
ndokundibata padumbu neruoko rumwechete
rumwe rwaitobatsira kutsvaka nzira kusvika
aiwana. Paakangonzwa kuti aive adongorera
akabva andikotamisa ini aikaka yave ipi futi
ndaisada kuonekwa nzira imwe iya-iya asi
ndaive ndatononoka nekuti akabva asundira
mukati. Ndakaridza kamhere kekurwadziwa
aive andibaya zvinorwadza misodzi
yakatovavira mumaziso. Izvi zvaisaita zvese
zvekunyerekedzwa zvandainzwa mumuviri
zvakapera ndikatotanga kurwisa kuti
andiregedze. Akaramba akandibata akati
“mira babie I will be gentle.”

Ini: uri kundikuvadza ndiregedze.

Ipapa ndipo paaibhowa Innoe ukamuti


akuregedze aibva atokubata zvakasimba.
Ndakamborwisa ndikafunga kuti ndimurume
maoko here asi aive akangobairira kana
kubudisa zinhu rake. Ndakazoita mistake
yekukotama akabva atevera akakotamira
kumusana kwangu. Gumbo rekwaright raive
rambosara rakatsika pasi rakasumudzwa
zvakare rikanotsika patub izvo
zvakandimanikidzira kuti ndinobatira kuseri
kwetub pachirod chaiiswa towel kana munhu
achigeza. Chakaita kuti ndibatire kuseri inyaya
yekuti ndaitya kuti pamwe ndaizodonhera
mutub maive makazara mvura. Veduwe
ndakaoneswa moto munhu akutoita
tumamovement zvake ini ndiri pakunetseka
aikaka nenoise ipapo hanzi “babie kani.”
Ndakadirwa tumbama kumagadziko
ndokudzikisa ruoko akanotanga kupuruzira
zviya zvirekeni ndakabva ndaita semunhu
adirwa mvura inotonhora yabva mufridge.
Muviri wangu wakazuzuma zvine simba
ndikaerekana ndati “ouch.” Muromo
wakashama kuita sendaive ndadzipwa
nebhonzo mate akarezuka akananga
mumvura achipomba chete mwana
wekwaMapanzure. Ndaizvinyepera pekutanga
ndichiti aida kundiitira utsinye kuti
ndirwadziwe asika ndakazoona kuti aiziva
zvaaiita Innoe. Izvi chero dai ndaizonzi daily
ndakazvida zvainaka. Ndaive
ndongoshiringinya nekugwauta sekambwa
karohwerwa kuba zvaisadzoreka kuti
unganyarara pakadaro. Iye aiimbawo ndimi
dzake sepaakazobata mazamu angu ese
akumover zviri fast ndakaerekana ndamubata
gumbo rake raaive akwidza patub ndichiedza
kutumira message yekuti asamira zvaaiita.
Ndakanzwisisa chinonzi bonde musi uyu
nekuti ndakanyatsonzwa kuti pane
zvavakuitika mudumbu. Muviri waibvunda
ndadzosera dumbu mukati ndikatanga
kupusher ndichidzokera kumashure. Maoko
ake aive pamazamu angu akatanga kubvunda
zvikanzi “I’m coming babie oooo.” Innoe
aipenga chete ndozvandinokwanisa kutaura
handiti mbuya vakanditi murume haasekwi.
Handichazivi kuti mama vaaidana ndini here
kana kuti ndimama Mapanzure namama
Madondo. Ndakazotsvedza gumbo one kubva
pamusoro petub rikanopinda mumvura izvo
zvakaita kuti azvomoke ndikaona zvinhu
zvairezuka zvakanodonhera patub. Iye akawira
mumvura chaimo nemuviri wese
ndikambotya kuti pamwe aive nepfari hake
nekuti kaisave kekutanga kuti apedza
mutambo aiita seaifainter. Mumvura
akakurumidza kumuka akandidhonza
ndikanopinda pakati pemakumbo sezvo aive
agara akatandavara. Ndakatendwa
ndazembereswa pachipfuva hanzi “ thanks
mai Mapanzure wangu vanonaka.”
Ndakamukupira mvura kumeso akadzorera
zvikaenderera paya takutoita chikudo
hamheno kuti ndakamudzimbira sei ronda
rekumeso rikatanga kubuda ropa. Moziva
ndakapusa veduwe ndaifunga kuti achazvitora
sekuti ndakaita ndichida. Ndakabuda
mumvura kuti akwanise kugeza ropa raibuda
ndichibva ndati “sorry hako ndakudzimbira
nemistake.” Akamboramba akanyarara sezvo
aigeza kumeso kwese paaibvisa ropa pacho.
Ndakafunga kuti pamwe kunyarara kutsamwa
ndaive ndongobvunda zvasangana kutya
nechando pamwe chete. Ndakadzokorora futi
kuti sorry achibva atora towel akapukuta
kumeso ndokutanga kuseka.

Innoe: handina kurwadziwa zvakanyanya


babie inyaya yekuti pane kachinyama kabva
ndosaka ndichibuda ropa.

Ini: (ndichida kumudenha) iyo imbwa yacho


yakazonyanyawo kuruma iyi.

Innoe: (akaratidza kupererwa achitendeuka


kubva pamirror paaizvitarisa) watii?

Ini: ndati chimbwamupengo chacho


hachinzwe.

Akafamba achiuya pandaive ndikashaya


kwekutizira nekuti ndiye aive kuside
remukova.

Ini: kkk ndakakunzwai muchinditaura


nasekuru baba two.

Innoeakaseka zvandaive ndisina kutarisira)


waiteerera nyaya dzeduka iweka?

Ini: imi maindinyeya ndiripo wani saka waida


kuti ndivhare nzeve here?

Innoe: nhasi wandipedza Purity ndoda


kuvaudza sekuru kuti takaita mhosva.

Ini: uvaudze havambondibvunzi futi.


Innoe: iwe une yakowo mhosva yekuuya
kwawakaita wakagara namai vaya saka
zvoreva kuti mozivana.

Ini: ndaitoitira iwe kuti usagare pedyo


neimbwa.

Innoe: nhasi wandisetsa hako handichaite


kunyeya munhu aripo ko dai takataura
zvisingaite amana? Kkk saka
wakazondirumirei kana waive wanzwa
zvataitaura?

Ini: ko iwe waiitirei zvawakabva uchiziva kuti


zvorumisa?

Akafamba akanogara patub achingoseka zviya


zvemunhu anenge achishamisika. Kumira
kwese kwandaive ndakaita ndaive
ndatomonera towel hangu ndaitoda
kunopfeka zvinodziya nekuti kwaitonhora.
Ndakanomira padoor ndikati “dai wawana salt
paikurumidza kupora.” Haana kudaira
aingoseka ndakabva ndabuda hangu
ndakunozora mafuta nekurongedza hembe
dzandaive ndasiya pabed. Akatora nguva
arimo mubathroom ndofunga ropa
raingonetsa chero hangu ndakanga ndasiya
rakubuda shoma. Akazouya akashama zvake
ari rabu-rabu ndikanyepedzera kuita sendaive
busy ndichibvanyangura hembe dzandaive
ndapeta nekutangidza patsva kurongedza.
Akati ndimusarudzire zvekupfeka kubva
kupant chaiko. Ndaigodii hangu ndakamupa
akapfeka ndokupinda mumachira ndikanzwa
dzave ngonono.

Kubva musi watakotamisana uyu ayewa


ndaive ndakungonzwa kuda kugara ndiri
pedyo naye Innoe. Zvese zvake zvaindinakidza
kubva kunyaya, mapfekero, madyiro
ndisingakanwi mabatiro nemaisiro. Ndaitadza
hangu kumuti “ndipowo” asi dzimwe nguva
ndaitonzwa seaindinonokera kundipa. Pane
pamwe paaiti kana taenda kunorara mahusiku
paya aibva atanga kundiratidza mapicture
mufoni make. Taitandara kunosvika kumaten
ini pese ipapo ndainzwa kusure kuchikwenya-
kwenya nekuvavirira kana ari semazamu aibva
aomarara nyatso. Hapana kana munhu one
wekumba wandaive ndati ndataura naye
ndaitya ini kubvunzwa mibvunzo yakawanda.
Sezvamunongoziva zvinonzi chisingaperi
chinoshura isu pataive takunyatsonakirwa
ndipo pakasvika zuva rekudzoka kuZimbabwe.
Akavimbisa Innoe kuti taizofamba
kwakawanda zvedu apa zvaisaita kuti
tiwedzere mazuva nekuti kubasa aive asiya ati
sekuru baba two vatarise akavimbisa kuti
zvaingove zveone week chete. Mongoziva
ukasaita zvaunenge wavimbisa kana
wakuzoda rubatsiro zvakare unoshaya
anomira newe. Chimwezve vanhu vaive
vaudzwa kuti Sunday tainorarira
kuMberengwa kureva kuti zvaifanira
kuzadziswa kwete kuzoita kuti vanhu
vatimirire. Hatina kumukira zvedu taizokwira
ndege yaeleven nekuti driver aizotora mota
yasekuru baba Natie ndiye aizotiendesa
kuairport. Hamheno zvakwaingonzi aibva kure
naInnoe ndaitonamata kuti asvike zvakanaka
hake. Kubva kuseni takamirira driver
taibatsirana kurongedza zvinhu zvedu. Aive
atenga mabag akanaka zvinhu zvedu zvaive
zvepamusoro-soro zvaisazoda kuti mikwende
uku ove mazisaga futi. Moyo wangu waifara
nekudzokera kumba asi ndaive nekakutya futi
ndainogona here kutamba humwenga
hwacho chii chaizvo chaitarisirwa kumuroora?
Handina kunge ndamboona pazvaiitwa ini dai
ndakamboendawo nana sisi pavairoorwa
pamwe ndaibatsirika. Innoe aipota achifona-
fona achipa update kune vaive mberi
kwataienda. Akazondiudza takuenda kuairport
akati “babie ndokuonana ikoku vana mbuya
nana maiguru (kureva vana sisi vangu natete)
vari kukugamuchira kuairport motonanga
kuMberengwa. Ndataura nasekuru Nigel
vakatsvaka driver achaenda nemi. Vana mama
vakaenda kuswera nezuro munowana
vakakumirirai kumusha ikoko.”

Ini: okay.

Ndakataura zvekungoti handinganyarari


hangu but iye Innoe ndiye munhu
wandingatoti panguva iyi ndaive ndajaira.
Ndaizobvunzwa zvakawanda-wanda
ndikakwanisa kuzvipindura here pamwe
aitodawo kuwana pekuhwandira achisara
hake kuHarare. Handina kumbofara nazvo ini
chero patakakwira mundege ndakangoti
ichisumuka ndichitorara zvangu zvekuvhara
maziso asi zvese zvaiitika ndaizvinzwa.
Ndakafambak ndiri mumaoko ake zvangu
achipota achipuruzira bvudzi rangu
nekundikisser pese paaiwanira mukana.

End of chapter 17

Love you guys


CHAPTER 18
*Innocent*

Honeymoon yedu yakangochinja


ndisingafungire ikatanga kunakidza ndaive
ndakutofunga kurega kudzokera kuZimbabwe
ini. My wife was sweet ndini ndaive ndakuda
kurasika ndichiona sekuti kunyarara kwake
kwaive kushaya rudo. Ndakaenda kunoedza
kuwedzera mazuva kuti tigare two weeks
ndikaudzwa kuti day rataive takanyoresa kuti
taizobuda pane vaive vakatomirira kupinda.
Ndakaedza kune amwe maroom zvikaramba
paive fully booked. Vaive kumusha ndaive
ndatoronga kuvadzimira foni ndaizongonoti
sorry tadzokera. Ndaidawo nguva
yekunyatsopedza kudzidzisa umwe wangu
zvandaida pabonde iyewo ondiudza zvaaida.
Kupurizira ayewa aive akugona
ndaitobhabhadzirwa ndirimo mukati wanei
ndoita manyawi akasangana nedzungu
ndaibva ndaenda mberi chaiko kuti
anyatsoguta. Kuchemerera nekuita action
ndiho urema hwaive hwasara mongoziva
chero kungave kumasports pakaita
vanoombera maoko nekupururudza unonzwa
kuwedzerwa simba. Zvinoratidza zvakare kuti
munhu uri kumugonera so ndipo chaipo-ipo
pandaida ipapo. Ndaive ndisati ndawana
mukana wekudzokorora zvatakaita mutub but
ndakaona sekuti anenge akazvifarira ini. Kuda
aive maonero angu hangu but tub-session
ndiyo yakatiwedzerei moto mumba medu.
Chionai kuti taive takudzokera kumba apa
ainoenda kumusha futi hamheno kuti
ainogara mazuva mangani ini ndiri munzara.
Zvaidei zvakaitwa izvi muchato usati wasvika
inga taitotsvaka zvinhu zvingatifambisira
nguva wani ivo busy kutifudza vachiti
hatingaonani pedu tega. Moyo wangu hauna
kumbofara kana padiki zvapo vaida kuramba
vachindiomesera nekuda kwemitemo yavo
isingaperi iyoyo. Zvisinei hazvo hapana
chandakakwanisa kuita takarongedza zvinhu
zvedu zvataive tatenga tikauya kuzotorwa
nadriver wasekuru Farai akaenda nesu
kuairport. Aive akazembera pandiri Purity
pataive munzira asi chiso chake chairatidza
kuti aive nezvaaifunga. Zvaingondiitira fun
hangu ndichifunga kuti taive taita rwendo
rwekukwira ndege kunobvisana humhandara.
Taizogashirwa kuchinzi kudiiko, “rwaive sei
rwendo rwerudo? Makanozvigona sei
kwamaive?”
Kutofunga hangu zvandakaona kuzasi kwake
Purity ndaive ndazviwanira kani mhandara
yangu ine playground rine zvese. Ruoko
rwakatobvundirira kunzwa kuda kubata
zvinhu zvangu zvaaive akandigadzirira. Nhamo
yandaive ndakatarisana nayoka mberi
kwataienda yaive hombe. Taizowanawo here
mukana wekutamba mukitchen kana
mudining nekuti zvaive pachena kuti taizonge
tichigara tiri four pamba? Hazvirevi kuti
ndaive ndisisadi vabereki vangu nekuda
kwekuti ndaive ndaroora asiwo taida nguva
yedu yekumbotamba kusvika tanetawo.
Patakakwira ndege ndakamutenda Purity
nekurara kwaakaita nekuti ndaive ndichida
kuenderera mberi nekufunga kuti taizopabuda
sei apa. Pamwe kunogara pamwe chete nana
mama kwaizokonzeresa kuti kunyara kuya
kwaive kwakupera kudzoke futi. Purity
airwara nemudumbu make maaichema-
chema namo manje zvaainoenda kumusha
ainokwanisa kuita basa here? Yaive nzvimbo
yangu kumuchengetedza nekuona kuti agara
achifara. Takanosvika zvakanaka hedu
ndikamutsa munhu wangu tikadzika masteps
ndakamubata ruoko. Kwaive kubata
kwekutonzwa sendairasikirwa naye zvachose
sezvo ndaive ndakaudzwa kuti taizowana vana
mbuya mai Munya vakamumirira paairport.
Takagamuchirwa nasekuru Nigel vakati
vamwe vanhu vaive vakamira kunze kwegate.
Ndakamboseka hangu ndafunga zvaive
zvataurwa naPurity pataimunyeya nasekuru
Nigel tichiti pamwe aisabata nyaya. Iye Purity
kuzoda kupfugama paairport achikwazisa
sekuru vakabva vatomurambidza vakati vaive
vasina mitemo yakawanda-wanda imwe
yekudzvanyirira. Ndakada kumubata ruoko
akataurira pasi-pasi hanzi “aa nhaiwe vanhu
vanozoti chii?” Mazvionaka zvandaive
ndakuda kuregera kudzoka ini ndaida zvekuti
rudo rwedu rukure kuenda mberi kwete
kudzikira. Hapana paaizobvuma kuve
mumaoko angu pavanhu nekuti Purity zvake
aisave pfambi. Tichinobuda gate
takatambirwa nana mbuya mai Munya
vachipururudza nemufaro ndikaona misodzi
yorera pana Purity. Akanombundirana nana
sisi vake vakaita group vakatora nguva
vakadaro. Ini ndaive ndamira nambuya mai
Munya ava sekuru Nigel vaibvisa mabag
vachibatsirana nemukomana watakabva naye
achipusher trolley. Tete vaPurity takawana
vakamira nechekure vachiita sevaitaura pafoni
vakabva vauya zvikanzi “mativigireiko veJoni?”

Ini: makadii henyu vatete?

Tete: (vakaseka-seka) mufaro wakawandisa


bamunini takutokanganwa kukukwazisai.
Kwaive seiko kuJoni kwamakaenda
mukakanganwa kana kufona kuti tinzwe kuti
makafamba sei?

Ini: mukaona vanhu vakanyarara zivai kuti


vanenge vari bhoo.

Tete: taitodawo kurairira zvinhu ikoko


togowana zvekuenda kumusha takabata.
Ini: chero dai makarairira tete taive tisina
nguva yekutenderera isu. Takabva pano
munhu wese achitiona maidei makatibatisa
zvamaida zvacho kwete kuita semunhu anoda
kuzoita good bye pabhazi rasimuka.

Vakaseka zvekumanikidzira vachitobva pataive


vachiti vakunokwazisa Purity. Hatina
kumbotaura nezvavo pavakabva nekuti sekuru
Chivige vakasara vachisvikawo.
Takambundirana zvikanzi “muzukuru kutoita
semave negore musipo ndange ndakusuwai.”

Ini: tadzoka sekuru makasara zvakanaka


henyu?

Sekuru Chivige: (vachibata mbuya ruoko)


sezvaunongoona tiri right isu namadam
paside ava.

Mbuya: (vakatanga vaseka) muzukuru


zvakazoitwa nasekuru vako maiwee regai
ndiseke zvangu.

Sekuru Chivige: mai Munya wakurasika papi


futi unoda ndisekwe nevazukuru here? Chiisai
mabag atinoenda nawo mumota tione
kufamba nguva iripo. Tichadarika tichitora
baba Samson mutown vange vaenda kunotora
bag rehembe dzekuchinja. Ini handingadrive
kunosvika Mberengwa ndisina licence
tobatwa nemapurisa.

Ini: ko makutoenda hatitangi tasvika kumba


here?

Sekuru Chivige: (vachindidhonzera paside)


huya titaure pedu tega muzukuru ava havana
dhiri zvachose.

Mbuya: hapana chimwe muzukuru varikuda


doro usatomboite zvako tinganonyara
kumusha. Vachanwa kana vakugona
kuzvidzora takapinda busy musi wemuchato
uya.

Sekuru Chivige: mai Munya kani mukadzi


wangu wandinodisa ngaisiye matambo. (Kuna
Purity) Masiziba muzukuru huya uonekane
nemurume wako unoda kuenda usina
kumupa tsvodi ndozvawakadzidziswa nani
izvozvo?

Mbuya: munganetseka nevanhu vabva vese


here munoti ikoko vange vakangotarisana
here? Zvako iwe muzukuru pamakabva paya
vanhu vakanzi vasununguke vanodya
nekunwa vachiita madiro. Vakanwa doro
sekuru vako ndikatombovatsiura kuti baba
Munya ….
Sekuru Chivige: ndatovharirwa hangu
nevagoni regai ndiende.

Mbuya: matogona shuwa kkk, isu


takangozovarairwa zvedu sepanzvimbo
paiitwa zvakasiya-siyana. Vanhu vakafara
kusvika kumaten husiku pataive takuda
kuenda kumba takatsvaka munhu kana
kubatika. Paive nevanhu vakawandaka musi
uya taive takutyira kuti pamwe pane asimudza
zvake akakanda muboot remota akaenda
navo. Mapurisa aya akaswera ari pamuchato
haana kutozoenda vakatanga kutevedza
mazita evanhu vese vaive pano sezvo
pakupinda kuseni vainyoresa mazita
nemaphone number pagate. Kuswimimg pool
kwese kuya vanhu vakatsvaka vakashaya
vakasvika pakubudisa mvura yese kuti zvimwe
vaive vanyura asi takashaya. Kwakachena
muzukuru takamira kuzovawana mumaruva
ndimo mavakangonoti pfoo imomo
nekutorara. Hembe dzaisatarisika
nekunyorova …

Ini: asi kwakarara kuchinaya?

Mbuya: kunaya kupi ivo vakazviitira zvavo iro


doro ravo raive rakubuda. Kutokumbirawo
muzukuru wangu sekuru vako
vakasaganhurirwa doro shuwa tinovanhonga
rimwe zuva vatsikwa nemota.
Ini: (ndakaseka zvekutadza kuzvidzora
vakacheuka sekuru) makasara henyu
zvakanaka here?

Mbuya: totobvunza imi isu taigoonei zvedu,


ndimi maive musango.

Ini: taive palodge mbuya ayewa takabatwa


zvakanaka.

Vakaseka zvikatondishamisa kuti ndaive


ndakanganisa papi. Ivo ndivo vaitorasika
vanoti shuwa taizokwira ndege kunogara
musango kuSA kunotyisa kuya.

Mbuya: ndoreva ikoko kwamaive maenda


handiti maive musiri kunzvimbo yamunoziva?

Ini: izvo zviya zvandakataura pafoni handizivi


kuti ndomupei muzukuru wenyu
akandikoshera.

Mbuya: tinotenda muzukuru (vachiseka) iwo


mavanga anoonekwa hawo kuti kwaive
kumagobo.

Ini: (imwe shona yambuya ndaingobvuma


ndisingazive ini) ndave nani mbuya ronda
raityisa irori but zvinoenderana neprice
yacho.
Mbuya: saka munosvika nguvai tofanira kuita
chikaranga chese tipedze?

Ini: kusvika kupi handiti apa makutonanga


kumusha kana muchanoita mazuva mangani
amana ndoda kugara pedyo nemukadzi
wangu ini?

Mbuya: (vachishamisika) hezvo! Ishona yepi


iyoyo taitofanira kukupai bedroom isu pane
mari dzinobviswa uye ndisu taifanira kuwacha
ropa rekukuvara kwemwana wedu
togutsikana kuti anga akazvichengeta.

Ini: but proof ndinayo mbuya hapana asiri


kuziva zvakaitika.

Mbuya: aa saka ndichanotaura namama


tasvika kumusha pamwe ndakumhanyira
zvisingaitwe kwenyu.

Ini handina kunge ndaudzwa zvekuenda


kumusha ndaitoti pamwe vaingonorara
votomuka vachidzoka. Ndaive nezvakawanda
zvandaida kuita muzuva raitevera racho.
Kuparadzana kwacho kwainetsa
ndakambonowanzirwa nana sisi vaPurity
vachiseka ronda rangu raive kumeso. Iye aive
agara hake mumota achiseka akabata
kumeso. Ndakazoenda ndikanoonekana naye
ndichimuudza kuti pane mari yandaive ndaisa
muhandbag yake paaive akarara mundege.
Ndakamukisser pamuromo chaipo zvikanzi
natete vake “zvatichasvika husiku nhai
veduwe chinguri chamawanza nyaya pano
zvakubhowa izvi. Tiri kuenda kwatisingazivi
hazviite kusvika husiku toda kuona nzvimbo
nevanhu kwakachena.” Ko vaifambira kuona
vanhu here hapana akambodeera zvavaitaura
ndakaona hangu vaida kudenha mbuya mai
Munya vandakatora nguva refu ndinavo.
Vaifanira kunzwisisa kuti nambuya mai Munya
taive tazivana nguva refu uye pavari vese
zvavo ivo tete ava nana sisi vaPurity ndainzwa
kusununguka kutaura zvaive pamoyo pangu
kuna mbuya. Vaive munhu akasununguka uye
munhu mukuru kashoma kuita godo
ukakumbira advice haurasike.
Takadungamidzana hedu ini ndina sekuru
Nigel kumota yaive kumashure. Takanomira
futi mutown ndikatenga chikafu chekuti
vagofamba vachidya. Baba Samson
vakanonoka kusvika taive takuda kuvatevera
ndipo pavakafona vachiti vaive mukombi.
Vakasvika tikakwazisana nekubvunzana
mufaro vachibva vatanga ivo kusimuka
voenda kumusha. Mota payaive isisaonekwi
takapinda mune yedu toenda kumba. Taive
nezvekutaura zvakawanda nasekuru vaitoti
kumba kwavo vaive voga mbuya mai two
vaive kuMberengwa. Takatanga nezvekubasa
pataive munzira vachiti zvese zvaifamba
zvakanaka uye vaive nelist yevanhu vaiti
vaizouya kuzocollecter fertiliser. Ava vaive
vatotumira mari kare kozoita vamwe vaiisa
order ndakatoona kuti vakashanda sekuru
vangu ndizvo zvandaivadira zvangu
vainzwisisa. Vakataura kuti pane vakomana
vakarovana pabasa vachibva vavamisa
kweweek iyoyo chete vachiti vaizotaura nyaya
yavo ndavepo. Zvakandiitira fun vakomana
vese vaishanda kubasa kwangu vaiwirirana
kutoita sevaibva kusame family hamhenowo
zvaive zvavabata ndaifanira kuvatsiura toenda
mberi nebasa. Takanosvika kumba
vakandiratidza zvinhu zvakabviswa
pamuchato sezvipo. Ini ndaisatarisira zvese
izvi chandaida kuti vanhu vauye kuzofara
pazuva rangu guru. Room yaive yakazara
nemidziyo yakasiyana-siyana handina kuvhura
zvangu aizoona zvekuita nazvo Purity. Vazhinji
vainzi vakabvisa mari havana kutaura total
amount zvavo but yairatidza kuti yaive
yakawanda. Chakaita kuti ndifungire kuti yaive
yakawanda ndechekuti vakataura amwe
mashamwari adad avairangarira nemusoro.
Kucarsale kwavo vakati kwaive nemota three
imwe yakabva kuna sekuru Farai, yavakabvisa
ivo sekuru Nigel kozoti yakabviswa
nevazukuru vangu. Vakazopedzisira nekuti
“takanyora pasi zvese tikapa aunty kuti
vachengete saka kana zvekumusha zvapera
tozoonesana navo.” Havana kutaura kuti
sekuru baba Farai, mbuya mai Farai, mama
nadad vakabvisei. Pamba taingove two ndivo
vakasiirwa makey sekuru saka taitaura
zvataida tisina wekutya. Vaive sekuru vangu
ava dzinova hama dzangu dzandaive nadzo
dzepedyo. Ndakavaudza zvese zvakaitika
kuhoneymoon hapana kana chakasara chero
hangu ndaive ndamboita makuhwa pafoni.
Vaitoti mama vangu vakafara pavakaziva
zvaive zvaitika vakavanzwa vachitaura
nambuya mai Farai kuBelvedere. Pachikafu
manje ndipo pandakaona kuti taizoita
dambudziko ndiani aibika kusvika vanhu vaive
kumusha vadzoka? Ipapa vakatozobuda
sekuru vakunotsvaka chikafu chemanheru ini
ndikasara ndichigeza nekumbozorora
zvishoma. Kungopinda mubathroom
kwandakaita mamemories ese akadzoka dai
mukadzi wangu aivepo pamwe ndaitopiwa
rudo rwangu zvangu. Ndakambobuda
mumvura ndikadzokera kunotora foni yangu
yaive pacharger kuti ndifone ndinzwe kuti
vaive vave kupi. Paive patopera two hours
vasimuka kureva kuti nguva dzaive
dzatodarika pana five dzemanheru.
Ndakafonera sekuru Chivige ikati not
available, ndokuedza zvakare yasekuru baba
Samson ikaita zvimwe chete. Moyo wangu
wakatadza kugadzikana handina kumbozogeza
ini ndaida kutanga ndanzwa kuti vanhu ava
vaive safe here. Sekuru Nigel vakadzoka
vakashamisika vachiona ndakagara mudining
musoro uzere sipo. Vakati vaive vafonerwa
namama vachibvunza kuti taive tave kupi
parwendo rwekuenda kuMberengwa.

Ini: mama vanokanganwa here kuti


pavakataura neni tiri kuSA vaiti Purity
anofanira kuburuka akananga kuMberengwa?
Nigel: iniwo handina kuudzwa zvizere
ndakanzi ndisare ndigokugamuchirai kuairport
nekuti panenge painana mbuya vanofanira
kutora muzukuru kuenda naye kumusha.

Ini: ko ini kumusha ndoenda kunodii kule?

Nigel: hamheno zvavange vachitaura zvimwe


handina kuzvinzwa ini nekuda kwenoise
kunenge kwakazara vanhu uko.

Ini: ivo vana sekuru havasi kubatika kuti


vaonei munzira macho?

Nigel: pamwe vari munzvimbo dzisingabati


network.

Ini:kufonera mama hakuite manje kana


vatotanga kutaura kudai tinonzi huyai husiku.

Takanyengerana kudzima mafoni asi sekuru


vakamboramba vachiti zvaida titange tamirira
kusvika kwana Purity. Ndakazoenda kunogeza
hangu ndikadzoka tikadya nekutandara
kusvika taenda kunorara. Takashandisa imwe
room pakurara uku kwangu hanzi nasekuru
Nigel “hakuchajairirwe kwave kwemuroora
uku.” Kaizove kekutanga kubva zvatakaenda
kuhoneymoon kurara ndisina kudya hamheno
kuti dzaizobata here hope? Sekuru vakaramba
kufuga magumbeze neni vaindiwanzira ava
hanzi “ndiwanikwe namai two zvangu ndaitwa
d—mization kuti ndadii hangu.” Sekuru
vakanyatsorara ini hope dzakanetsa kubata
hana yairova ndaingonzwa sekuti vana Purity
vaive padambudziko. Ndakatozorara kunze
kwakuda kuchena, paive pakunakidza hope
ndakamutswa nasekuru vachitaura namama
pafoni. Vaipopota mai Innoe kwete
zvekutamba ndakapiwa foni ndikanzwa vachiti
“aizviziva Innoe kuti Masiziba anorwara
haachatauri saka kudzima foni ndokudii?
Vakarasika vakanodzokera zasi uko dai pasina
vanhu vaiuya kuno kumutambo vaive nengoro
yemadhongi pamwe vairara husiku hwese
vachitenderera nekuti network yaive
isingabati. Ko imi makasarirei ikoko
makamboona mukadzi achipinda mumusha
murume wake asipo here? Mandibhowa vana
imi rimutsei baba two nditaure naro
zimbodza-mbodza raMapanzure.”
Vaifemereka nekupopota ndakatadza
kuzvidzora ini ndikaseka. Vakadimbura call
hamheno aive akuvadeedza ndakatendeuka
ndikawana sekuru Nigel vakagara vakabata
kumeso. Ndakavabata bendekete vakati
“aunty vakunetseka shaar hanzi dai wakataura
kuti muzukuru haasi kunzwa mushe.”

Ini: Purity aingochema-chema nemudumbu


kubva zvatakaenda kuSA sekuru
ndikamubvunza akati ndiko kutanga
kuzvinzwa. Ndozvega zvandinoziva kana paine
humwe hurwere neniwo hapana chandiri
kuziva.

Nigel: iwoyo mudumbu hanzi akasvika


akuchema nawo but unongoziva vakuru
vanenge vakufungira kuti zvimwe zvirwere
zvepabonde.

Ini: amana saka varikuti pamwe ndakamupa


sick here?

Nigel: (vakaseka) pamatauriro avoka ndoona


sekuti vakutofunga zvakawanda nekuti vazoti
taizvireva kuti dzikamai mese zvenyu maive
nemisikanzwa muchatikuvadzira vana
vevanhu vakazvidzikamira.

Ini: vasadaro mama handina kumbobvira


ndarwara neSTI ini.

Nigel: but ndoona sezvinongoitika kana


musikana ange ari mhandara mai two
vakanetseka nawo mudumbu asi zvakazopera
hazvo.

Ini: saka todii sekuru toenda here


kuMberengwa but basa rinenge ratoenda
musango.

Nigel: hamheno zviri kwauri ini ndakanga


ndagara ndaisa basa rese mumaoko
amanager kuNATA saka kana wati tiende
hapana chakaipa. Pandavabvunza hangu
aunty kuti amuka sei muzukuru vangoti ari
nani vanenge vanga vachitocleaner payard.

Ini: takatotadza kuenda kumusha sekuru


chero tikamhanya hapana patichanzi tagona.
Dai sekuru baba Samson vange varipo
ndaigona kunosiya ndavaudza zvekuita
toenda. Zviri nani tizoenda manheru
ndapedzerana nevanhu veorder dzavo. Yes
zvekumusha zvakakosha but pave nemazuva
sekuru kubva zviya zvakaitika nyaya dzaLoca
handina kumbonyatsoshanda ndakarasikirwa
nezvakawanda. Mama vanofanira kunzwisisa
kuti zvese zvinofanira kufamba panguva imwe
chete ndikavhara kubasa kwacho ndozodii
futi?

Vabereki nenyaya yekupopota hamheno kuti


vainzwa sei raitove dambudziko chairo
ravaifanira kugadzirisa. Ini zvangu ndaikoshesa
kutanga ndabvunza ndonzwisisa nyaya kana
ndaona pakakanganisika ndozotaura.
Nekutsamwa kwavo kana zvaizosvika kuna
Purity kuti vaifungira STI handiti
zvaizokonzeresa kugara tichinetsana mumba
medu? Kashoma munhu kungodanana
nemusikana one wotoroora manje paunenge
uri pakutsvaka unobva wanzi une misikanzwa.
Hapana chandaikwanisa kuvatsanangurira
pafoni handina kumbozofona takatogadzirira
zvekuenda kubasa isu.
Takabva kumba tichiti taizosvika tichiti mbuya
mai Samson vatiitire tea hatina kuziva kuti
naivo vaive vakaendawo kumusha
kuMberengwa. Sekuru Nigel vaitaura
chokwadi kuti basa raive rakawandisa
takaswera takamira mota dzichipinda
nekubuda. Vakomana vaive vaita basa
nemoyo wese fertiliser yaivepo yakawandisa.
Vaya vekurwa handina kutombowana nguva
yekutaura navo ndakangoti taizogara pasi
kana basa rave shoma. Vaive vauya
sekuudzwa kwavakaitwa nasekuru Ngel kuti
ndaizowanikwa musi weMonday so
ndakangovati vaende kunoshanda nevamwe.
Chikafu takadya chekutenga tese nevakomana
tichipanana mukana kuti basa risamire. Zuva
rakadoka tisati tapedza apa taive taronga kuti
taizosimuka manheru kuenda kumusha. Mota
yatakapedzisira kuloader yakabva exactly
eight o’clock ichienda zvikanzi nasekuru Nigel
“todii?” Handina kupindura ini hapana
pandaizodriver kuenda kuMberengwa
nekuneta kwandaive ndakaita. Ndaitonzwa
kuti dai ndasvika kumba ndageza nekutoenda
kunorara. Munzira hapana aitaura neumwe
vaionekwa sekuru kuti pane zvavaifunga.
Vakazongoti “shaar kuzorora hakuperi
hazviratidze hunhu izvi kana vabereki vasiri
kufara hande kuMberengwa.” Ndakada
kupindura vakadimbudzira vachiti “ndodriver
ini tonosvika tichitora hembe dzekuchinja
toenda.” Mukufungisisa ndakaona kuti ndaida
kuomesa musoro zvangu asi vanhu vese
vaiitira ini ndini ndaive muridzi wemutambo
waive wakaunganirwa kuMberengwa. Vana
mbuya mai Munya vaizodzokera nereport
yekuti chii shuwa zvataida kuita zvainyadzisa,
kuita sekuti Purity wacho ndaisamuda.
Pamwe aitonetsekawo kuti zvaive zvaipira
papi isu taingofara kuSA. Ndaive ndisina
kubvira ndafona kubva kuseni foni
ndakatodzima ndichiti ndinganetswa.
Zvakandipa simba ndikanzwa maneto ese
achipera zvichibatanidzira nekugeza
kwatakasvika tichiita. Takubva pamba ndakati
sekuru vandipe nditange kudriver kana
zvorema vozopindawo. Yaifamba neboys mota
dzaimhanyira zvemberi ko sekuru vangu
ndaizivaka kuti yes vaihwanda nekuti
taizotukwa namama asi chokwadi ndechekuti
vaisagona kugara kure nambuya. Izvi
ndakazviona hangu shasha yakutsvaka
tumachocolate ndini ndakatovayeuchidza kuti
vatenge nemasweets evana. Ini handina
chandakatenga ndaisaziva kuti ndaizodii
ndasvika pamwe Purity wacho aitorara zvake
nehama dzake dzaakaenda nadzo. Munzira
taimira chete tichiwedzera fuel dai takaita
accident hapana chaiwanikwa even mota
yaiita marara nekuti paifambiwa zvekurevesa.
Taitoverenga kuti kubva pakati kusvika pakati
panofanira kuita maminutes akati kana
zvaramba taikavhira mberi. Takanotora nzira
yekuchikoro ndiyo yainanga kumba straight
vavariro yaive yekuti tiwane vanhu vasati
varara. Mota payakamira pagate vanhu
vakabuda kuda kuona kuti vaive vanani ndipo
pandakaona kuti kusabatika kwedu
kwaitoshungurudza vanhu vakawanda.
Takanopinda mukitchen tikawana Purity
akagara seri kwedoor ndikanzwa tsitsi achiita
sekamuranda naiko kuzvimoneredza kwaaive
akaita musoro nechiuno. Mama havana
kumbopopota vakatopererwa vakaseka
ndokuti “vana imika muchandiuraya nebp
chete munoti basa mungaripedza here
zvimwe ndezvekusiya momhanyidzana
nezvinenge zviripo panguva iyoyo.”

Pakukwazisana apa vanhu vaida kunzwa kuti


Purity achati kudii. Akakwaisa sekuru Nigel
achiti “makadii sekuru” ini ndikamhanyira kuti
“kurisei babie?” Vanhu vakaseka iye aive
atarisa pasi ukuwo tete vake vaive vakutoda
kuomesa-omesa kuzviita vanoziva tsika. Hanzi
“munhu unosumuka kunomhoresa vanhu
wakapfugama woombera maoko uchibvunza
mufaro kwete …” Ndakavapindura ipapo
ndikati “tozivana tete musanetseke zvenyu
hatiite mitemo yechinyakare yekuti mukadzi
anoitwa muranda.” Patakapedza kukwazisana
nevaive mukitchen takaenda kudining kwaive
kwakagara dad, sekuru baba Farai, sekuru
Chivige nababa Samson hatina kumbotukwa
vakatobvunza kuti kubasa kwaive sei. Chikafu
chakauya nana maiguru tikadya ndikaona
ndakudeedzwa nevazukuru vangu vachiti
ndaifanira kupiwa bedroom zviri pamutemo
ndizvo zvaive zvatomirirwa nevanhu vamwe
vaida kumuka vachidzokera kudzimba dzavo.
Mbuya mai two takawana kuchinzi vaive
vaenda kumba kwavo kunorara ikoko zvese
nevana. Havanak kuzomira sekuru Nigel
vakaimutsa mota zvikanzi “tobatana kuseni
shaar rega ndimbonoona mhuri yangu.”

End of chapter 18

Love you guys


CHAPTER 19

*Purity*
Nyaya yehumhandara ndakanga ndakwanisa
kuivharidzira kuna Innoe kuti asaitaure
ndikabudirira. Ndaifara mumoyo kuti ndaive
ndaita zvakanaka zvisingandipe chipomerwa
mune ramangwana. Kukanganisa uchiziva
hakuna kunaka vasikana vese vanofanira
kuziva kuti kurara nemukomana usati
waroorwa kwakaipa. Varipo vanobatwa
chibharo ndongoti kuvabereki
ngavasahwandise zvakaipa kudaro vachiedza
kuprotecter hama dzavo. Kazhinji vana
vanobatwa chibharo nehama dzepedyo
chaidzo vangave baba nyakutumbura, step
father, vana sekuru kozoti vana vemastep-
father kana step-mother. Zvogona
kuhwandiswa kana mwana abatwa achiri
mudiki vanhu vachiti paanokura anenge
akanganwa asika tinoziva here kuti
paanozoroorwa anoshaya anomumirira kuti
murume azive chokwadi pamwe vabereki
vanenge vafa. Varume vakanzwa nyaya
dzechibharo dzisina proof vanobva vati
tanyeperwa mwana otonzi itsotsi. Panyaya
yechibharo iyi vazhinji vanoti “zvinoparadza
ukama” kana mubati asungiswa. Munhu aita
mhosva ndiye anenge akutochengetedzwa
asika akaona mazvitora sezvisina basa
acharamba achienderera mberi
nekukanganisa mhuri yese. Kutoita rid of one
rotten apple kuri nani pane kurirega richiodza
box rese.
Chainyanya kundifadza ndechekuti ndaive
ndadadisa kuna mama vangu havana
kutambisa mashoko pese pavaindirovedzera
vachiraira kuti ndikure ndiri mwana
akadzikama. Ndaiziva hangu kuti haisi iyo
yaizove chain yekusunga marriage yangu
asiwo kana matambudziko aizotanga zvaireva
kuti zita rangu raisazove iro remavambo.
Ndaive ndagona kunyaradza Innoe
sezvandareva panyaya iyi asi vanhu vese vaive
vasara kuZimbabwe ndiyo nyaya yavaive
vakamirira. Vana sisi vangu vakaita
kundisumudza ichinaya mibvunzo ndaive
ndakutotya kuti vachanzwikwa nasekuru baba
two vachitaura zvemubedroom. Ndaingoseka
hangu asi maziso angu aive atozara misodzi
rudo rwavo rwaingondibata-bata henyu.
Kashoma mudzimhuri umu kuti hama dzifarire
mufaro weumwe. Vatorwa ndivo
vakutosimudzirana nekupanana mazano asi
ini zvangu ndaive neluck rekuve nefamily ine
rudo. Nenguva diki-diki ndaive ndabvunzwa
zvakawanda “zvinonaka here mainini,
zvairwadza sei musi wekutanga, makapiwei
nabamunini chekutenda kuzvichengeta
kwamaive makaita, hamuna kufainter here
pamakatanga kuiona?” Veduwe ndaipindura
upi mubvunzo vanhu vacho vaiita makwikwi
ava. Dai nguva yese yavaipedza vachiseka iyi
vakatonditora havo vakandiendesa kunoona
mama vangu. Pandakabvunza nezvavo hanzi
mazuva maviri ekutanga aivaremera kwazvo
vaitombochema asi pavakanzwa shoko rekuti
ndaive ndadadisa vakabva vati “regai
ndigadzikane hana mwana wangu akwanise
kugara zvakanaka nemukwasha wangu.”
Ndakatoita sendaivaona mama kani
vachitaura mashoko aya. Pfungwa dzangu
dzaive dzakutotanga kutenderera ndichifunga
murume wangu (ndakatsinzinira maziso
zvaindiitira fun). Ndakazununguswa nambuya
mai Munya vakati “asi wakurara nhaiwe
Masiziba isu tichitoda kuti ufambe uchitiudza
nyaya dzekuJoni?”

Sisi vakuru (Clara): anotaura here Purity agara


akazvinyararira zvake.

Sisi vadiki (Tariro): nesu haarege zvake


kutaura tamujaira kuti ndizinyerere asi
usazozviita kuna bamunini. Ngazvive
chishamiso kuti aa Purity anototaurawo
kudaro nhai tichinzwa muchiridza chikwee
nemurume wako.

Tete: (vakatanga vazhurukuzha sevaitsva


magadziko) kudada uko pane munhu asiri
mbeveve anonzi haagoni kutaura here?
Pamwe akutotiona setisina basa handiti tese
takadai hapana ane murume ane mari
sewake?

Nhai veduwe zvaibvepi izvi mumota makaita


runyararo rwakadzimurirwa nasekuru baba
Munya.

Baba Munya: ko Masiziba hautengeriwo


sekuru vako mabhotoro maviri ndiwane
kuvaraidzika here?

Mai Munya: baba Munya tataura nezvenyaya


yedoro wani moda ndidiiko ini pavanhu? Imi
munenge madhakwa mati rashu uko ini
ndopinda busy kutendekwa nevanhu kuti
ndiye mukadzi wacho uyu.

Sisi Tariro: vanoda kurambiwa pavanhu kana


vadhakwa paya panonzi murume wani imi
moti handivazivi.

Sisi Clara: (takatanga taseka tese) vakadzi


hatina moyo wakadaro asi varume vakaona
mukadzi asina kugezeka nekupfeka zvakanaka
vanomuramba pavanhu.

Sisi Tariro: haiwa ungatarisira kuti mukadzi


apfeke zvakanaka unenge wamutengera here?

Baba Munya: makutotaura nyaya dzenyu


muchivhara yangu musadaro vazukuru ndofa
here nenyota muripo?

Mbuya vakaedza nepese pavaigona asi


zvaizoita here veduwe vakatonzi nasisi Clara
“saka muri kureva here kuti tidarowo
kuvazukuru venyu?” Yakadzoswa mutown
mota vakanotenga doro ravo sekuru haiwa
pakadai waitoziva kuti wavagonera chero
nyaya vanenge vasisadairi. Takafamba hedu
kuchingotaurwa zvinyaya zvekuseka zvaiitwa
nevanhu pamuchato. Sekuru baba Samson
vaive vakazvinyararira zvavo vachiita basa
ravo. Hondo yakanotanga tadarika Gweru
pakanzi nasekuru baba Munya mota imire
vambotsauka. Vakaenda muchisango vese
nasekuru baba Samson ndikasara
ndichibvunzwa nasisi Tariro kuti ndaive
nemazambia here ekumonera. Mbuya vaiti
vaive neimwe yavaive vapiwa namama
yaitove nedhuku racho asi sevanhu vaizonoita
basa ndaifanira kuve neimwe yekuchinja.
Patakaenda kunoita shopping naInnoe
tichigadzirira zvekudzoka kubva kuSouth-
Africa ndakatenga mazambia angu matatu
kozoti yamama Madondo one neyamama
Mapanzure one. Dzaive hombe zvekuti
ndaikwanisa kudambura dhuku so
ndakavatsanangurira. Kuna tete vangu
mashoko iwayo haana kugara zvakanaka
muhana mavo.

Tete: wangozvinetsa nekurondedzera zvese


izvo zvauchatotaura nemari yamakabvisa
muchitenga. Waidei wangoti hongu ndinayo
zvatopera.

Sisi Tariro: ko akanganisa papi nhai tete sei


muchiita sekuti magara makamaka mwana?

Tete: ndomumakirei hangu ndichingotaura


chokwadi zvimwe zvacho zvinoita kunge
kudada.

Mai Munya: handiti ndidzo nyaya dzejoni


dzacho dzatange tichibvunza nhai mukwasha
mukati haatauri anozviita mbeveve now
akutaura zvaipazve.

Sisi Clara: iko tikaenda tisina kubatana


tichimarana kudai zvinganonakidza here?

Sisi Tariro: (ava vagara vaitaurisa) ndizvoka


zvekuti kunonzi kuhama yemukadzi
ngavataure mashoko vanhu vobudisa daka
ravo ravabva naro mudundundu. Umwe
akazonyadziswa natete vake pamuchato hanzi
hatina kumboziva kuti hure ranzwa
nekusvotora mimba ringaroorwa rikachatawo.

Tete: saka maida kuti vahwandise chokwadi


here wongoita sepafiwa panonzi wafa
wanaka?

Sisi Tariro: kungotaura semufananidzo tete


hatina kuti ndizvo zvinotaurwa plus murume
waPurity akagutsikana ega kuti akazviwanira
mhandara.

Tete: pane akazvarwa asiri mhandara here


nhai hwekuti mungatoona sekuti munhu
apedza nhamo yese? Unotowana munhu ari
kubva pane umwe murume achinogara
zvakanaka chaizvo imi mhandara
muchidzembereka naho.

Sisi Clara: hezvo tete maitweiko munenge


magara makatocharger kare?

Tete: ndogoitwei zvangu nani angandigona?

Mai Munya: (vachiedza kuchinja nyaya)


akazofona here Lucia kubva zvaakaenda
kumusha nhai mukwasha kuti tinzwe kuti
akafamba zvakanaka here?

Tete: aigofonei zvake ndakatonamata kuti


asvike zvakanaka vegodo vanyadziswe.
Mwana wandakatakura kuuya kumuchato
akungoti uchipera vanhu vakuronga zvekuti
aende pane kuti vaidei vakati apedze holiday
ari kuno?

Sisi Clara: iii tete musataure mashoko akadaro


imbonyadzisaiwo satan mugowana
anokurevererai.

Sisi Tariro: ichokwadi vakoma, Lucia akataura


nana mama akati veduwe kuno ndingade
kugara zvangu sekutaura kwamaita vana
mbuya asi baba havangakwanisi kugara
nevana vega. Takatozviziva isu paainzi
namainini amire kusvika vana Purity vadzoka
ndipo paakati pane vana vaive nemhezi
dzogona kudzoka kana vakasawana
anovagezesa.

Tete: mhezi payi musade kureverera vana mai


venyu vagara havandide havadi kuona
ndichifara.

Vana sekuru vakadzoka ndikati kuda tete


vachanyarara chero paitobvunzwa nambuya
kuti vaive vanonoka vachiitei vaitoda
kuvhiringidza chete kuti vaende mberi
nenyaya yavo. Vaiti vakanowana muti waive
nenyuchi saka pese apa vaive vakutofunga
kuti vangawana tuhuchi tushoma. Vanhu
vakamboseka havo zvekuda kubura nyuchi
zvaitaurwa aikaka vachingonyarara
vakasimudzira nyaya tete vangu.

Tete: pamweka vakati Lucia angawane


murume pamuchato sezvakaita Purity handiti
vanhu havadi kukundwa here vanoda zviri
zvavo zvakanaka. Ndiwe unonzi gara
uchiombera maoko hauiswe pamongo kuti
unomborewo. (Vakamboseka vachirovanisa
maoko) zvavakanzwa kuti vana vaita mhezi
vakadii kuti ngavanotorwa vazogara kuno
kumba kwasekuru vavo.

Sisi Tariro: (vachiratidza kusvotekana) aimi


tete itai mushe imi hezvo zvamave kutoita
sekuti ndimi mwana mudiki pano? Vana
vamurikutaura nezvavo havasi venyu here
saka makazvara kuti mupe ani achengete?
Lucia akatengerwa zvese zvekushandisa
kuchikoro kubva kumabook, mauniform
matatu, mapair maviri ebhutsu kusanganisira
dzevamwe vakasara kumusha sei
musingatendi imi? Grocery rakaenda rakazara
boot paakaperekedzwa kubhazi sei
musingatendi kuti mainini vanokuitirai zvese
izvozvo pasina hanzvadzi yenyu?

Mai Munya: ayewa muzukuru taura natete


zvakanaka ndibaba ava.

Sisi Tariro: ayewa mbuya aaa kubva vana


Purity vasati vauya vange vachitaura mashoko
ekushora. Vari kuti Purity akawana murume
pamuchato zvinei navo plus vakutotsvakira
Lucia asina kana certificate reordinary level
murume vanoti varume vakare nevanhasi
vakafanana vangangoti ndoda mukadzi
wekungonzi ndakabuda mugota? Lucia
anotofunga kuvadarika ava haana kukumbira
mucheno kunana mbuya vake asi akati anoda
zvechikoro kuitira kushandura life yake.

Sisi Clara: zvapera honai tina sekuru baba


Samson muyenzi vanozoti chii?

Sisi Tariro: tanyarara nguva yareba vachifunga


kuti ndivo vega vanogona kunyadzisira vanhu
pavanyarikani. Kunyarara kudai hazvirevi kuti
hatizivi history yenyu tete. Ndimi munofanira
kutiraira asi kana matadza tomachinja
matable hatidi kunyadziswa isu kuvarume
vedu. Moda vanhu vasare vachiti mavaona sei
tete vaMasiziba kureva kuti naPue
akutobatanidzirwa. Vamwe vanenge voti
anonyebedzera tsika kutsvaka kugashirwa asi
muchamuona henyu akuita satete vake.

Sisi Claravakaseka kuridza chikwee) zvapera


kani nhai?

Tete: ngaataure agara akazvironga handiti


vana mai venyu vaida kuti ndiende vachiti
ndinganonyadzisa kumukwasha wavo
wemari?

Sisi Tariro: nazvino mukasvika muchidai


munonotinyadzisa ko tombokunyarai here
tete hamukwanisi kumira panzvimbo yenyu
kuti tikupei respect yacho?

Tete: handina basa nerespect yenyu ini ndiani


pakati penyu apa akambouyawo kuzoshanya
kumba kwangu? Kuno ndauyira hanzvadzi
yangu handina kuvinga Pue, mai vake kana ani
zvake saka handina kana kendenge.

Sisi Tariro: kumusha kwenyu touya takamira


sani zvedu tinotonyara isu nehunhu hwenyu?
Musade kuzviita mutsvenezve imi makatora
murume wemunhu hatidi kuzotukwa nezviito
zvenyu imi munonyadzisa.

Sisi Clara: Tariro kani …

Tete: (vachivhizuka kuda kudhonza sisi Tariro


vaive vakagara paseat repamberi) wakuda
kundijairira handina zera newe.

Vakabatwa nambuya mai Munya vakawedzera


simba ndokubondera nemusoro kuroof
yemota. Yakamboita kikiri-kikiri paya ini
ndaive ndaungana mucorner kutya
kubatanidzirwa sezvo nyaya yacho yakatanga
nezita rangu. Sisi Tariro paive nebasa vaitoda
kudzorera tete hanzi “varegei havarohwi ava
ndosaka vachishungurudza bamukuru nekuda
kwekuregererwa nekujaidzwa. Mungatora
murume wemunhu kuti mumushungurudze
makadii kungodya mari kana iri iyo yamaida
muchibva madarika?”

Tete: kudya mari iri payi yawakaona?

Sisi Tariro: hamuna ngozi imi muri baba


tokukiyai kana hanzvadzi dzenyu
dzaikuregererai. Hamuna mumuromo imi
kubva zvatanga nyaya dzaPurity hapana
pamunotaura zvakanaka mashoko enyu
ndeekutuka chete. Hamutendi makaita sei
kuti mainini vakasiirwa vana nehanzvadzi
yenyu vakashanda nesimba kuti vavariritire
kusvika vakura? Wese aroorwa munodeedzwa
kuzotora mari yeutete ndiani
wamakamboraira asi hatizvitarisa izvozvo
tinenge tichiti tikuisei panzvimbo yenyu. Imi
mune murume muri kuchema kuti upenyu
hwakaoma saka avo vasina vamurikuda kuti
vatore vana venyu vachengete ndivo vasina
ropa here?

Mai Munya: dhuku yenyu yanyorova ropa


mukwasha munenge makuvara.

Havaimbotadza kukuvara vakabondera chaiko


zvine simba mota ikarira. Kukuvara kwavo
ndiko kwakatoganhurira noise nekuti vanhu
vaive vakutsvaka way yekuti vamise ropa.
Paive paita kakutsemuika paronda pacho
pasina kunyanya kukura zvapo asiwo seronda
remumusoro zvaingotyisa kuti pamwe raive
rakadzikira mukati. Vakatochema tete nhai
havana kutaura havo mashoko pavaichema
pacho saka takangoti kuda vairwadziwa
neronda. Mbuya mai Munya ndivo vakapinda
busy kuvanyaradza vakakumbira baba Samson
kuti vamire kana vaona mashop vatsvakirwe
mapain block. Takasara todarika kuShurugwi
varara zvikanzi nasisi Tariro vachizevezera
“varangwa nehanzvadzi yavo iri
kunyikadzimu.” Takaseka zvedu ko ndidzo
nyaya dzachoka dzaiita kuti tifambise nguva.
Ndaisatarisira zvese izvi kuti vanhu vatukane
vachifambira nyaya dzangu nekuti ndaisave
munhu wenoise. Ndainzwaka zvichinzi kana
uri chidhakwa zvinhu zvako zvaunoita zvese
zvinongodhakwa-dhakwa hauoni
kwazvinoenda nekwazvinobva.
Ndakatombonamata mumoyo pamwe dzaive
mhepo zvadzo dzisingadi chakanaka.
Patakadarika paBoterekwa ndakatenda mwari
ndaipatya kuti zvimwe taizoparara zvedu
ipapo sezvo taive tatungamirirwa neshura
ravatete irori. Munzira mafoni aive zii kwaive
kusina network maybe zvaikonzerwa nekuti
takafamba kwanaya mvura yaionekwa kuti
yaive yakawanda. Pamwe Innoe aitonetseka
zvake kuti ataure nesu apa ini ndaimufunga
kani kutonzwa sendaive ndatove nemazuva
ndisina kumuona.
Takanosvika Mberengwa kwanyatsosviba uye
kwaive kwabva kunaya asi mvura yacho
yaionekwa kuti yaive isina kuwanda
seyatakaona muGweru. Kwaive nerima
raityisa taive takuita kufungidzira kuti nzira
inodzika kumba ndeipi tichibva muroad yaibva
kuZvishabane. Takanyengedzwa nenzira
yatakabuda nayo nekuti yaive yakakura
zvekutoratidza kuti mota dzaikwanisa
kupesana. Tisina kure kwatasvika yakatanga
ngwavaira road yakadzoka kuita diki mota
yaitofamba ichiparanzurwa nemiti. Takaramba
tichdzika tichitarisira kuti taigona kusvika
mumaraini towana vekubvunza. Misha
takaiona nekunzwa kuti tadarika pairi nekuda
kweimbwa dzaipota dzichihukura. Hatina kana
kuona moto wekutaridza kuti vanhu vari
kutandara. Zvakatinetsa kuti yaive nzvimbo
yakadii yekuti naeight vanhu vanenge
vatoenda kunorara. Hatingatunhidze
mamhepo zvedu tongoti takarasika
nekusaziva nzvimbo asi takatambura kani.
Takangoerekana tasvika parwizi rwaive
rwakati maku nemvura hamheno kuti
yaiyerera here kana kuti raive dziva. Paisaita
kuyambuka zvachose uye takatenda mwari
kuti paive pasina makwidza so mota
yakareverser tikatora imwe nzira yatakaona
parwizi ipapo. Pese apa pataidzungaira
mudumbu mangu maive matanga kubaya-
baya ndakatomboti pamwe zvaikonzerwa
nekuchengeta mweya. Zvakatozowedzera
pandakabudisa mweya pacho time
dzatakakumbira baba Samson kuti vatipe
mukana wekunozvibatsira. Ndakatobva
pachisango patakatsaukira ndichifamba apo
neapo ndobata mabvi. Mota yakadzika
neroad itsva yataive tanhonga iya tikadzika
zvekudzika zviya hapana aive achataura
neumwe tainyatsonzwa kuti uku ndiko
kwaizove kurara musango kwedu. Pane
pakamiswa mota nababa Samson vakati
“ummm nemaudzirwo andaitwaka distance
yatafamba iyi yakarebesa.”

Baba Munya: ini handiwanzotaura zvangu


vanhu vanonditi ndinenge ndiri under
influence yedoro. Ipopaya pamatanga
kuparana ndazviona kuti kwatiri kuenda
hakusi kutsvene zvachose. Hazvikurudzirwi
kuti parwendo muite gakava zviri nani
ukatoona umwe wako akurasika iwe ita
munamato mumoyo wonyarara zvako
sewakapusa. Mhepo dzerudzi hadziuyi
dzichivhuvhuta ukangoona muchirwa
pachenyu itori mhepo iyoyo. Munhu
nemunhu ngaazive kuti hapana asina
matambudziko pano pasi pezuva. Hapana
asingazive basa remari kana kuti
anowandirwa nemari nekuti pandinotambura
kutsvaka yeupfu uya wandinoona seanayo
anenge achitoshoterwa neyekutenga zvikuru
zvaarikuda. Ukapiwa slice yechingwa tenda
izvozvo kwete kuti dai taita half-half
nemuridzi weloaf. Zvatapiwa mota
yekufambisa kuuya kuno saka tototsamwa
here kuti dai tapiwa umwe neumwe yake
sezvo kwabva iyi dziriko dzakawanda?
Ngatisatorei kuve naMapanzure muukama
hwedu sekuti kunobatsira mai Purity chete asi
nesu hama dzepedyo ngatifarei kuti tave
nekwekuchemera nhamo dzedu.
Tingavengana tikaita utsinye hwekutonzwa kui
dai tauraya Purity uyu tifanane asi munofunga
kuti Mapanzure akarambiwa kana kufirwa
nhasi nemuzukuru uyu isu tichasvika pedyo
naye here?

Sisi Clara: mataura idi sekuru.

Baba Munya: (vaive vambonwiraka nyaya


yacho yaisapera) chinofa chorova ndiaamai
kana baba nekuti havana replacement kwete
mukadzi mhani mangwana tinonzwa kuti
kwaitwa mumwe muchato. Imi vazukuru muri
varoora kumba kwakaroorwa tete venyu ava
zvimwe chete natete kana vari
kwamakaroorwa muroora futi. Munofanira
kuvharidzirana urema kwete
kutokonyodzerana kuti ndoda kumunyadzisa
tifanane hazvinzwarwo.

Vakapedzisa svidoro zvaive zvasara


mubhotoro vakanamata aaa takambotanga
tichiseka tikatozonge takudairira. Zvidhakwa
ndizvo zvinoziva shoko vachingopedza
kunamata hatina kure kwatakasvika taive
tasangana nengoro yaive yakabopiwa
madonkey. Vanhu ava vaiti vaienda
kwaMapanzure asi kutenderera kudai vaitya
kuyambuka rwizi ruya rwatakaona sezvo
rwaive nemvura. Vaiti misha yavo yaive
yakanangana chaiko nepaMapanzure
vachiganhurwa chete nerwizi. Apa vaitoda
kutenderera vonobudira kuchikoro ndiko
kwataizowana nzira iri straight ikoko. Vaive
vakomana vakawanda vanenge vaitonwa doro
zvavo asi vaive vasina kudhakwa. Kubva ipapo
takatungamirirwa nengoro tichinanaira tiri
mumashure step yemadhongi kani takaita
kunonzi kusvotwa chaiko. Vakazobva mberi
tadarika pachikoro vakati tisabude munzira
kusvika tasvika mberi kwacho kwaisarasa
nekuti vakati taizonoona kuti tasvika nekuda
kwemalights. Hatina kumbozotora nguva baba
Samson vakatotanga tichiri kumusoro chaiko
kuti “ayo malights” ndikanzwa vanhu vese
vachitura befu. Ukuwo kwataienda vanenge
vaive vakushaya kuti taive tabatwa nei nekuti
kusvika kwakaita mota vanhu vakapururudza
nemufaro. Takaburutsirwa kugate kuti titange
zvekutsiga zveumwenga mudumbu mukati
maita manyawi kuwedzera zvekunzwa
ndichibvunda muviri wese. Mbuya mai Munya
nana sisi vakapusa nenguva diki mibvunzo
ichingove “wadyei nhai edza kurangarira
zvakutyisa izvi.” Vana mama Mapanzure
vakaudzwa vakauyawo vachibvunza
ndaitorwadziwa nekunetseka kwaiita vanhu.
Ndakavaudza chokwadi kuti zvaive zvatanga
patakaenda kuSouth-Africa. Hatina
kumbozoita zvekufamba nemabvi isu baba
vakabvisa mari yese yaidiwa nana mbuya
vakati “muroora wangu ngaapinde
mumusha.” Vanhu zvavo vemuraini havana
kuziva zvaiitika vaiimba nekuridza ngoma.
Mazariro aive akaita vanhu aimi hamuna
chamakaona nekunzwa imi. Vanhu vamwe
vaideedzera vari panze kuti “muroora wacho
tiri kutoda kumuona isu ndiye watavinga.”
Ndakapiwa mvura inopisa ndikanzi ndinwe
setea ndaitonzwa kudziya mudumbu ndiyo
yakandibatsira nekuti zvakazoita zvichireruka
ndikakwanisa kunogara panze paive
nedandaro kuti vanhu vatione. Husiku hapana
zvinorema zvakaitwa takangotandara tikapiwa
chikafu vanhu vakaudzwa kuti mutambo
waizoenderera mberi kuseni kwakachena.
Takarara mukitchen nana mbuya handina
kunge ndanyatsoona kuti musha wacho waive
wakavakwa zvakadii sezvo hwaive husiku.
Kuseni ndakamuka ndichinzwa zviri nani
tikaita basa redu kuchakasviba tichibatsirwa
nevazukuru. Mbuya mai Munya vaiti taifanira
kuswera takagara tichiona maitirwo ebasa
nevepo asi chakaita kuti tichinje program
inyaya yekuti mama nababa vaiti sezvo
ndairwara ndaifanira kukurumidza kudzokera
kuHarare ndigonoenda kuchipatara. Musha
waivepo kani kwedu kwandaiti kwakavakwa
taitaura kana pasati paita vavaki. Mvura
taichera patap yaive pamadziro chaipo
pekitchen asi nekuda mari takamatsiga
mabucket mama vakatipa mari yekudzikisa.
Mari yakabuda zvayo chero tete vangu
vekuisa muromo mumhino ndakaona
vakusekererawo. Mabasa emasikati akaitwa
nevanhu vemuraini sezvo pakazoswera pazara
futi.
Ndaifunga hangu kuti pandaizodzokera
kuHarare Innoe ndaida kumutsamwira shuwa
kungondiendesa kumusha iye akusara zvake
aida kuti ndirarame sei ari kure. Ndaimufunga
ini zvese zviya zvataiita kuSouth-Africa aive
atove maronda chaiwo epamoyo anonetsa
kurapa. Pese pandaimufunga kumashure
kwangu kwaipfuririra kutonzwa kuti dai
andibata. Mama vainetsekawo havana
kumbohwandisa kushaya mufaro kwavakaita
nekusauya kwaakaita. Vaitoti aive akadzima
foni yake ndakavanzwira tsitsi vakukumbira
ruregerero kuna mbuya mai Munya. Vabereki
vanenge vasisazive kuti chii chakutora
nzvimbo uye kana uri munhu anoda zvinhu
zviri mugwara unenge wakuedzawo kuti
vanhu vaone kuti hauna zvakaipa zvaunenge
uchironga nemwana wako. Zvisinei hazvo
mhinduro yaive naiye Innoe isu taifanira kuita
zvataive tavinga kumusha zvodarika.
Ndakatowarairwa manheru vanhu
vakaungana veukama hwepedyo tichitandara
ndakangonzwa yave mhere panze. Ndikati
ndakafaraka ndinenge ndichinyepa asi
ndakaita anonzi manyawi ndanzwa kuti Innoe
aive asvika. Dai pakaita akandibata hana
aigona kufunga kuti yakuda kubuda kunze.
Ndainyara hangu yes asi kungomuona ari kure
nekunzwa voice rake kwaingondipa kuti
ndigadzikane. Ndakambobirirak kumutarisa
vapinda mukitchen ko aingokupaka manyawi
Innoe akagezeka zvake nepfeka
zvinomufanira. Ndichiti kuuya kwavaive vaita
vagona ko ndaizivei kuti raive rimwe zuva
rekurara hangu ndichiiswa mujorodhani
rerudo.

End of chapter 19

Love you guys


CHAPTER 20
*Innocent*

Pakaoneka sekuru Nigel vachiti vakunorara


kwana mbuya ndakabuda navo
ndichivaperekedza kumota uye ndaida kutora
bag rangu raive nehembe dzekuchinja.
Ndakavabvunza ndakuda kudzokera mumba
kuti taizomuka tichidii kuseni.

Nigel: isu tomuka tichiuya kuseni-seni


tozomirira kunzwa kuti vakuru vari kurongei.

Ini: ndange ndichiti pamwe tomuka


tichidzokera.

Nigel: isu tauya husiku kudai tinotukwa shaar


kana tikadaro rega tingomirira zvavanoronga
zvacho unoti tingazoita week here?

Ini: ndozvinzwa hangu sekuru but time yareba


kubasa kunoda kuendwa uko. Vashandi chero
vakavimbika sei ukazonyanya kusaonekera
vanobatwa neumwe mweya.

Nigel: (vachindibata bendekete) ndipo paya


pawainzwa zvichinzi kuroora nekuronga
muchato haisi nyore. Zvinoda moyo murefu
zvimwe womboisa paside but once
zvangopera izvozvi zvekuno handioni
pachizoita zvimwe zvingavhiringidza basa.
Byee shaar tobatana kuseni ndiri kutonzwa
kuti dai ndasvika ndichirara nekuda
kwemaneto.

Vakapinda mumota vakaenda, pandaive


ndakuda kunovhara gate ndakaona
mukomana aiti batsira basa achimhanya
kuendako ndichibva ndatofambisa kudzokera
mumba. Mumba macho handina
kumbonogara ndakadeedzwa nevazukuru
vangu hanzi “sekuru tokumbirawo kukuonai.”
Ndakatarisa kuseri kwedoor kwandaive
ndasiya kwakagara Purity ndikaona kusisina
vanhu. Takaenda kumain house tikawana vana
dad vasisimo mudining matakasiya vakagara
vanenge vaive vatoenda kunorara.
Ndaingotevera hapana aida kundiudza
zvaiitika kusvika tanopinda muroom
yandaishandisa pese pandaienda kumusha.
Ndakawana vana mbuya mai Munya
nevamwe vavo varimo uyu Purity aive akaita
seakaberekwa kumusana natete vake. Vakati
vaida mari yekumuburutsa kumusana
ikabviswa nevazukuru asi pekutanga
vakamboiramba vachiti ishoma ikawedzerwa.
Pakanzi paidiwa yekuratidza Purity bedroom
vakabvisazve vana mai Ashie
ndokupupurudza. Ini ndaive ndakazvigarira
zvangu ndichishaya kuti ndozvii zvaiitwa
izvozvi. Mai Ashie akazoti “eee mbuya
Masiziba ndiyo imba yenyu iyi yamuchange
muchirara. Dzichavepo dzakawanda zvadzo
sekuti muchange muchigara kuHarare
nasekuru asi uyu mucherechedzo wekuti
pavanorara ndipo pamunorara.” Ndakaita
sendichavati vaende tisare tirare isu ndaida
kuzorora maneto ekubasa.

Mai Munya: nhasi takurumura zviri


pamutemo muzukuru ndiyo wanano iyi hatidi
kuzonzwa kuti watiza bedroom. Haudzingwe
mubedroom ndimo mune simba rako rese.
Mosara moratidzana pekurara haupindi
mumachira usina kusumiwa uye unofanira
kubhadharwa kubvisa hembe sezuva
rekutanga.

Vakaoneka handina kudaira vakabuda havo


vachiseka vanenge vaitofunga zvemisikanzwa
ava. Ndakasumuka ndikanobata Purity ruoko
ndikamudhonza kuti azogara pabed. Kutoda
kuramba nhai hanzi “wazvinzwa zvataurwa
nambuya.” Ndakaseka ndikati “aiwe vanhu
ava vange vari serious here nezvavange
vachiita izvi?”

Purity: ndizvo zvinoitwa nhaiwe saka unoti


vange vachitamba here?

Ini: sorry hako nematauriro andaita ndange


ndichitoti vari kuita majokes.

Ndakatendeuka ndikamuti atore mari


muhomwe yeteouser yekumashure. Purity
aizondinakidza time-time hanzi “tora iwe aa
ndoziva kuti ndotora marii here?”
Akatorambisisa ndikatora hangu ndokumupa
zvese neyekubvisa hembe ndikamuti
“ndichambonogeza ndoda kuwana waita
zvandakupira mari yangu.”

Purity: paunodzoka ndenge ndakuda imwe


mari futi.

Kamunhu aka ndaitofunga kuti ndaizowana


kadzokera pakunyara kuya kwakare asi
kanenge kaive katondisuwawo. Ndakamubata
maoko ese ndikati “ndange ndatokusuwa
neone day apa ndasvika ukarega
kundimhoresa hako.”

Purity: ndokumhoresa sei ini


ndakakutsamwira.

Ini: (ndichigara pabed) ko ndaita sei futi


usadaro?

Purity: aaa handiti wakasara hako isu


tikarasika husiku hwese apa wakumuka
usingabatike pafoni.

Ini: handina kumboona mamissed call ako


kana message zvayo saka waziva sei kuti
ndange ndisingabatike?

Purity: washungurudza mama vange


vachikutsvaka vatombobvunza kuti wakabva
kuSouth uchifara here.

Ini: sorry hako ndichataura navo mangwana


ndovaudza zvange zvichiitika. Basa range
rakawanda ipapa ndakaneta zvisingaite taita
kushingirira kuuya kuno. Chindiudza kuti
wakunzwa sei (ndichibata dumbu) ndakanzwa
kuti wakasvika wakurwara?

Purity: ndiri right ini.

Ini: rega ndimbonogeza kana kuti unoda


kundiperekedza.
Akasumudza mapendekete ndikasiya
ndamukisser padama ndikabuda hangu.
Ndainoshandisa bathroom yemuspare
bedroom ndiyo yaive neshower mangu umu
pandakapedzisira kuuya kumusha mvura yaive
yakavharwa mubathroom nefekuti paive
napaileaker. Ndaingoda kunobvisa ziya
nekukwesha mazino chete ndiwane simba
rekuzotamba nemukadzi wangu. Ndichisvika
padoor ndakudzoka ndakamunzwa achiita
semunhu aimhanya but pandakapinda
ndakawana afuka musoro. Ndakapinza ruoko
mujira ndikanzwa hana yake ichirova ndikati
“muka hako ndoziva kuti hauna kumborara
ndakunzwa uchifamba.” Akaseka
ndichimuvhura musoro achibva abata kumeso
akati “aiwe zvine basa rei?”

Ini: saka wange uchitizei, asi wange


wanditevera apa usina kupfeka futi?

Purity: (achidhonza jira) nhaiwe ndange


ndichibva kunoisa hembe dzangu mubag.

Akatozomuka akamonera towel ndikamuti


andizore mafuta kumusana. Hapana
chaairamba kuita ndakaona Purity mutsva
pane wandaive naye kuSA. Hembe chaidzo
raive basa kuti abvise manje apa ndakawana
zvese zvave muorder. Kundibata aisada kana
kuti aitya asi apa akatondizora mafuta
akabvunza kuti zvaive zvakwana here. Hembe
dzangu dzandakatsveta pasi ndabva kunogeza
akadzitora akapeta ndokuisa pachair
zvakanaka. Paaive akubva kunoisa hembe
pachair ndakamudhonza akawira pamakumbo
angu. Ndaive ndakapfeka boxer short hangu
sezvo ndaive ndisati ndakuziva kuti
aizovhunduka zvakadii andiona ndakashama.
KuSA aibuda kana kufuga musoro pese
pandaibvisa hembe. Ndakasunungura towel
raaive akamonera haana kurwisa akaramba
akadzikamira. Ndakarisiyira muchiuno
ndikadzosa maoko zvishoma nezvishoma
ndichipuruzira dumbu kusvika ndanobata
mazamu. Akabvisa maoko angu akasumuka
asina zvaataura ndokupinda mumachira.
Ndakasekerera hangu ndichitarisa zvaive
zvaita pakati pemakumbo angu ndofunga
ndizvo zvaakatiza. Ndakabvisa boxer short
ndikasara ndave compeletely naked
ndokutevera mumachira. Ndakamumbundira
maoko achinosangana padumbu sezvo aive
arara akatarisa kumadziro ndikanzwa hana
yake ichirova. Ndakasebedza musoro panzeve
yake ndikati “babie watizei patange takagara
apo?”

Purity: hapana.

Ini: usandiudza kuti wange usingandishuve


babie kana kuti uchiri kurwadziwa hako.

Ndakataura ndichidzikira ruoko ndikanopinza


mupant asi akaramba akabatanidza makumbo
zvine simba kuti ndisasvike kwandaida chaiko.
Ndakamusimudza ndikamurarisa akatarisa
kwandiri ndokunobata kumagadziko ndikatora
rumwe ruoko rwake ndikaisa kumusana
kwangu. Ndakatanga kutaura naye ndichiti
word kiss pamuromo ndikaona avhara maziso.
Ndakakwidza gumbo rangu pamusoro peake
ndikabvisa maoko kumagadziko ndokumubata
kuseri kwemusoro ndikatora nguva
ndichikisser pasina kumira. Panguva iyi
ndainyatsonzwa kuti ndaive mdakamubaya
zvakasimba padumbu uye ndaitobuditsa
hunyoro hwekunonokerwa. Ruoko rwaPurity
rwandaive ndaisa kumusana kwangu rwaive
rwakundibata zvakasimba ndikaziva kuti
munhu aive apera uyu. Ndakanodhonza pant
ndikadzikisa zvishoma ndikaona aikaka
munhu aramba akadzikamira. Ndakatozomuka
ndikaribvisa ndokukanda pasi ndichitoenda
pamusoro pake. Ndakambomudeedza “babie-
babie” ndichiitira kuti tiite zvinhu zvedu
tichiudzana kunaka kwazvo uye umwe
neumwe aifanira kutaura zvaaida kuitwa.
Apawo paive pachiri kumuremera akanga
akutoda kudhonza jira kuti afuge ndikaona
kuti pamwe zvaizomubvisa kumood ndikabata
pasi. Ndakanobata kuzasi kwake ko
zvandainonokera mukadzi wangu aive atoibva
kare-kare uyu. Akatotadza kubatanidza
makumbo nekuti ndakanzwa akubvunda
paakada kumaomesa kuti ruoko rwangu
rusapinde. Ndakabva ndapinda pakati
ndikananga ipo pandakada nemoyo wese
ndikadana “Jesus” ndadziirwa kani apa
ndichipinda sendaikwenyiwa. Waisawiraka
muna Purity izvozvo chete zvaingoita kuti
unzwe kuda kudeedza amai nababa vazoona
uchifainter nerudo. Ndakasumudzira gumbo
ndokugonyerera ndikanzwa “eish” ndaive
ndasebedza mberi. Ndakambomira ndakutyira
kuti pamwe aizochema nemudumbu
ndichibva ndati “babie wakurwadziwa
nemudumbu here?” Akadzungudza musoro
ndikati “ndiudzewo babie kuti zviri kunaka
here? Inga ini ndokuudza wani kuti
unondinakira please mai Mapanzure vangu.
Unondinakira Purity zvekuti ndoshaya kuti
ndokupei hako, I love you my wife.” Ainyara
akangoti “umm” achiedza kutendeudza face
kuda kuhwanda nepillow. Ndakazoona paive
nedambudziko redu hombe pekuti ndaifarira
kurara light riri on. Ndakaridzima
ndikadzokera pamunhu wangu and
zvakashanda nekuti zvese zvandaive
ndakumitisa aidairira. Ndakatoisa maoko ake
kuti andibate akaita sekudaro uye
pandaimukisser aisamhanyira kunzvengesa
musoro. Handina kupedza romance yese
panguva iyi ndakangoita yekiss chete
ndakabairira ndikamumonera nemaoko
ndakasumudzira chiuno ndikamushandira
chaiko. Akapedzisira akungoti “aa-aa-aa” pane
paakatombosumudza voice ndikada kumira
ndichiti pamwe taizonzwikwa nevanhu.
Ndaive ndaitawo utsinye ipapo hwekuendesa
mberi ndiyo nguva yandakabva ndabuditsa
maresults ekunakirwa naiyewo akabudisa
nekuti akandisunga nemakumbo zvakasimba.
Dambudziko rakave remvura uyu munhu aida
zvekugeza pese paaipedza. Dai vana mama
vakatanga vandibvunza zveimba izvi
ndakasarudza imwe room hangu. Kwaigara
mabucket ndaisakuziva apa kuti tiende
kunogeza kuspare bedroom ndaisaziva kuti
hapana vakazoshandisa room yacho pakurara
here. Takazoshandisa kabucket kainzi naPurity
akatengerwa nambuya mai Munya. This
whole thing yechivanhu nekutamba huroora
ndaisainzwisisa zvachose. Kutengerwa bucket,
kutengerwa zvimucheka zvekupukutisa
nezvimwewo zvandakaudzwa zvandakatoona
mumba umu zvandaifunga kuti zvaive
zvevanhu vakauya kuzomugamuchira Purity.
Ndaida chose kumboita nyaya naPurity
achindiudza kuti vaive vafamba sei kuuya
kumusha uye kwaimunakidza here asi ndaive
ndakaneta ndakatomutsanangurira akangoti
naiyewo aida kurara. Husiku uhu hwaive
hwakatosiyana nekure nehwandakarara
kumba ndina sekuru Nigel. Iye haana kutora
nguva refu aive atobatwa nehope. Hope
dzakaramba kubata ndakayeva hangu mwana
wekwaMadondo uyu. Ndaizogona kumuda
here sezvandaishuvira mumoyo? Ndaizogona
here kumupa smile nguva dzese iyo iya yaiita
seaiseka zvekumanikidzwa zvake usingamuzivi
waitoti pamwe aive nehusimbe. Ndaizogona
here kuti agare aine hunyoro hwake ndaive
ndisingadi kuzopedzisira ndaita sevamwe
varume vanosandura vakadzi vavo kubva
mukuvada kuenda pakuvaita varanda vavo.
Kurova mukadzi nekumuudza mashoko
anorwadza. Hamheno pamwe dzaive
chokwadi dzaitaurwa nevanhu kuti dzimwe
nguva mukadzi anokupusher kuita zvausingadi
asiwo mukadzi angangozochinja here iwe
murume uchimuitira zvakanaka. Sesu zvedu
varume vanenge vachinzi vane mari nyaya
dzeabuse dzaive dzakawandisa munhu
anenge akushandisa masimba emari kuti as
long as mukadzi achidya, kupfeka, kudriver
mota yaanoda nekukwanisa kuchengeta vana
ndiyo imba. Zvese izvi hazvitaurwi pamuchato
unonzwa zvichinzi marriage kubvumirana
kupanana miviri pasina anoti ndakuvadzwa
nenzara. Zvakandituma kumumutsa tikaita
zvakare manje iyi round yaive refu kwazvo.
Chii chaaive audziwa munhu uyu nekuti
ndaiona musiyano muhombe paari. Aive asati
hake akuita noise achitaura zvakawanda-
wanda asi ane kakushiringinya netumasound
twaaiita twekuratidza kunakirwa. Handina
kuzoenda kunogeza naye zvangu
ndakangopukuta ndikapinda mumachira
nekutobatwa nehope. Time yaakadzoka
handina kumunzwa iyewo haana kundimutsa
ndiko kurara kwatakaita kusvika pakarira
alarm yangu yandaishandisa pakumuka
kuseni. Kwaive kuchakasviba uye sezvo ndaive
ndisingaendi kubasa ndakaidzima ndikaona
kuti yaive yatokanganisa Purity hope dzake.
Ndakamuti “morning my love” akasekerera
hake haana kudaira. Takambotaura ndichimuti
sorry nekuda kwenoise yakaitwa nealarm
haana kuzvitora serious hake. Mukutaura
nekupota maoko achisangana pamuviri
zvakakonzera kuti ndinzwe kuda
ndikamupamha futi kuseni ikoko ndiyoka
yataiti morning glory iyi. Iyi yekuseni yakaipa
manje ukaona ukapedza ukati ndakumborara
zvishoma ziva kuti unozomuka palunch.
Ndakaita mistake iyoyo pakabuda Purity
achienda kunogeza ini ndikati ndaizoenda
adzoka dzakabva dzasara dzikabata hope.
Handizivi zvakazoitika pakati pese kusvika
pakauya Purity achizondimutsa achiti vanhu
vaitove worried nekusamuka kwandaive
ndaita. Ndakamhanya kunogeza ndikadzoka
Purity achipedzisa kuwaridza bed aive
atondibudisira hembe dzekupfeka.
Zvainyadzisa izvi kumuka naten here pamba
paive nevanhu kudai. Takabuda tese naPurity
tikasangana nambuya mai Munya vaibva
kunotora hembe dzavo pawaya. Purity
akaenda kukitchen zvikanzi “ayewa nesuwo
toenda tichifara tazviona nemeso edu kuti
muzukuru wakarara wakaguta.”

Ini: mamukasei mbuya?

Mai Munya: atove masikati aya muzukuru kkk


tamuka zvedu. Takurongedza zvekuti tifambe
kwakachena muzukuru redu basa tapedza
chandave kungokurudzira kugara zvakanaka
vanangu. Marriage haina mungwaru, haina
ndakagara nevakachembedzana nekuti
zvinoitwa mangu mumba nasekuru venyu
hazvisi izvo zvinofadza mumba menyu.
Dzidzisanai zvamunoda imi hapana
akamboroora kana kuroorwa saka hamufanire
kutarisira kuti munhu angomuka achigona
zvese.

Ini: ndinotenda mbuya makauyawo kuzoona


kumusha kwedu ndoziva kuti nerimwe zuva
tichasvikawo kwenyu.

Mai Munya: tinenge takangotarisa nzira


muzukuru, chirega ndiise zvinhu zvangu
mubag vasikana vatomirira mukitchen kuti
tioneke tiende.

Vachibva pandiri handina kuzopinda mumba


ndaive ndaona mota dzana sekuru Nigel
dzichisvika. Mbuya mai two vaive neyavo
yavakauya nayo iyi yaive nasekuru Nigel
ndeyatakabva nayo isu. Takakwazisana
nambuya tikamboseka hedu vachindiwanzira
nenyaya yedu yekusauya kumusha. Vana vaive
vatomhanya kare kuenda mumba kuna sekuru
nambuya vavo. Takazosara panze nasekuru
Nigel ndikasekwa chaiko pandakavaudza kuti
ndaitobva kumuka. Zvemisikanzwa ndizvo
zvaidiwa nevanhu, wese wandaimhoresa
zvekumuka mubvunzo waive wekuti “aa
ndokumuka uku” vachiseka. Ndaingovhara
nenyaya yemaneto ekubasa asi zvavaireva
ndakazvibata hangu. Vanhu vaive pamba
vaive vatodya kuseni, ava vakasvika
vakaramba chikafu vachiti vaive vabva vadya
kwavakarara. Dad vakataura mashoko
ekutenda vana sekuru nekuuya kwavakaita
naPurity. Sekuru baba Farai vakataurawo
vachiti “vana vave pamwechete tese
tinozvikudza chakudiwa kuti tirambe
takabatana tichingovakiridza kuti imba yavo
isimbe. Wanano inomborema chinodiwa
kunamata, kuwana wekuchemera zvinorema
nekubvuma kutsiurwa. Tese takadai
tingazosvika pakunzi takundikana here
zvingani zvakaitika vana vasati varoorana
tikabatsirana muvengi akanyadziswa.
Ndoramba ndichitenda munhu wese zvake
ndipo paya panonzi kuwanda kwakanaka
mukaita muonera pamwe zvese zvinoendeka.”
Mama vakanamatira vaienda kuti vafambe
zvakanaka tikanzi tivaperekedze kunovasiya
kumashops kuitira kuti vasazorasika.
Ndakavapa mari yefuel neyekufamba
vachitenga chikafu munzira. Mari vaive nayo
havo nekuti ndakanzwa kuti dad vakavapawo
futi imwe yekutenga fuel kozoti dzavakapiwa
pavaiita basa. Ndaifunga kuti Purity
achachema vana mbuya vakuenda but
akatoonekana navo akati vafambe zvakanaka.
Aida kusara kukanzi namama tiende naye
sezvo takaronga kuperekedza vaienda ava tina
mbuya mai two nasekuru Nigel. Ini ndakabva
pamba ndiri mumota yevaienda ava
ndichidriver kuitira kuti tionekane zvakanaka.
Sekuru Chivige nasekuru baba Samson
vakapinda pane yaive pamashure. Kuda
maonero angu zvangu andakaita aive
nekufungira mukati asi ndakaona sekuti tete
vaive vakapusa pane zvandakapedzisira
kuvaona kuairport. Vaigara vakanyarara
ndakangoti pamwe vaifunga kumusha havo
sezvo vakasiya vana. Ndakavabvunza kuti
vaizoenda kumusha rini vakati pamwe
vainorara kuHarare votomuka vachienda.
Ndakavapa mari yebhazi neyekutenga chikafu
vakatenda hanzi “maita basa bamunini mwari
vawedzere nekusingaperi.” Tete vaive munhu
anotaurisa and kazhinji mashoko avo aive
ekushora but ndaive ndakufarira side ravo
iroro kwete izvi zvekunyarara zvavaiita apa.
Munhu anofanira kungoratidza zvaari unobva
waziva pekutaura naye uchiguma. Vamwe
ukaona vakudzikamira kudai ziva kuti vanenge
vakufunga zvakadzika unokuvara
wakawarairwa. Vana sisi vaPurity hapana
hapo musiyano wandakaona ava ndakavati
taizoonana kuHarare nekuti vaiti vaigona
kunogara mamwe mazuva matatu. Vaifanira
kuzodzoka kuzoona Purity ndizvo
zvavakataura vachiti ndiwo waitove mutemo
kuzoona kuti aive akagara sei. Aigoonei zvake
ndakatovati “ari mumaoko akanaka kana
muchida kuona chokwadi muedzei kuti hande
munochemerwa imi.” Vakaseka zvikanzi
namaiguru vahombe “ndizvo zvakanaka
izvozvo bamunini kwete kuti munhu acheme.
Ukangoona mukadzi akufunga kumashure
kwaakabva ziva kuti pane zvisiri kufamba
zvinoda kugadziriswa.” Takambomira pamba
pana mbuya mai two pagate vakauya
kuzotimhoresa. Mbuya vadiki vaivepo
takayedza kuvanyengerera kuti tiende navo
kumashops vakaramba vachiti vaive nebasa
rakawanda rekuita pamba. Ava dai
ndakawana vakura ndaivatora chete
handichatauri zvakawanda zvaizoita sekuti
ndaive nemaziso akawanda. Takapfuurira
tikanosiya vana sekuru vadarika pamashops
isu tikadzoka neroad yekuchikoro. Purity kana
kurangarira zvake kwavakafamba nako aitoti
nzira yaimuitira itsva sezvo vakafamba
kwakasviba. Takambomira pachikoro
pakadzidza mbuya mai two tikaburuka
mumota sekuru vakati tivatevere. Sekuru
vainakirwa nekuMberengwa vaitoita satour-
guard vachitiratidza kumasink
kwavaionanirana nambuya. Mbuya vaiseka
havo vachingoti “musanyeperwe zvenyu
pamwe pane waaiona kuno kwete ini.”
Vakatozobvapo vakiswa mbuya uyu wangu
nekunyara akatendeuka akatarisa kuside.
Aizojaira zvake ndakatofunga zvangu ipapo
kuti taifanira kuzoronga nasekuru rimwe
remazuva timboenda out chero kuVic-falls
nevakadzi vedu tombonofara.
Takadzika kumba tikasvika vana mbuya mai
Farai vachipedzisa kugadzirira kuti vaende.
Havana kumbozotora nguva vakadya kudya
kwemasikati vakatobuda. Vana sekuru Nigel
vakagadzirirawo vakaenda pamba pakasara
pave nerunyararo ndisisina wangu
wekutandara naye. Vazukuru vangu vana mai
Ashie vaida Purity kundidarika ndaive
ndatotorerwa nzvimbo yangu sezvaakaita
kuna mama. Ivo vakangouya vari two Rhoda
ndakawana achinzi akaenda kunofambira
mapaper emuchato wavo sezvo
vaizobatanidzwa kuchurch pasina
zvemutambo. Muchato wacho wainzi
waizoitwa musi Sunday yataive takatarisa
iyoyi ini hangu ndaigona kusaenda basa rangu
raitozodonhaka ndakawarairwa. Ini ndaida
kudzokera kuHarare paive pasisina
chekugarira kumusha apa. Mama ndiwo
mashoko avaisada kunzwa iwayo kumusha
vaikuda.
Ndakaenda kunorara muroom mangu ndaive
ndisina mukana wekuonana naPurity nekuti
vaiita basa rekucleaner achibatsirana nana
mai Ashie. Patakabva kunoperekedza vana
mbuya mai Munya ndaitoshuvira kuti ndisvike
kumba ndichiwana mukana wekumborova
kemasikati apa ndainzwa kuda akakotama.
Mumba imomu mandaive ndakatokiya door
nemukati nekuti ndaive ndakaipirwa chaiko
zvekutotadza kugara zvakanaka mutrouser
saka ndakaburitsa kuti ndinzwe kusununguka.
Rakasvika pakudoka zuva ndiri mumba ava
dad vainzi vaive vaenda kwasabhuku.
Vaifambira zvavo zvekubatsira kwavaiita
munzvimbo but chandaivadiwa ndechekuti
vaisafamba vachiudza vanhu kuti “ndakaita
zvakati nezvakati.” Vakazotaura vadzoka
pavakandideedza kudining vakati “ndine
project yandirikuda kuita muno yekuti ibatsire
vanhu. Ukakomborerwa unofanirwa
kurangarira vawakagarisana navo nekuti
kuguta kwavo achave makomborero kwauri.
Ndaiti handingakunetsi uchiri jaya asi
zvawaroora Innocent ndiwe watove
Mapanzure wacho vanhu vakurerukirwa
kuuya nezvichemo zvavo kwauri nekuti
munhu ane mukadzi anonzi akarongeka. Clinic
iri pamashops apo toda kuti ikure nesuwo
tikarwara tauya kumusha tisafunge zvekuenda
kuHarare chete. Ndatotaura nasabhuku kuti
vaudze amwe masabhuku akakomboredza
tozoita musangano, ini apa ndakunogadzirisa
plan yandinayo once yangoitwa approved
basa rototanga.” Yaive pfungwa yakanaka
takatozotaura zvakawanda zvavaindiraira
semubereki tichitandara zvedu. Mama vaiziva
kuti kana tine nyaya dzedu nadad taida space
saka pese apa taivanzwa vachiseka
nemuroora wavo nevazukuru vavo kukitchen.
Pakudya ndipo patakaungana pamwe tikarara
taudzwa kuti taizomuka tichienda kuHarare
zvekumusha zvaive zvapera. KuHarare
taifanira kunowana zuva futi rekuenda
kunoona mama Madondo ndizvo
zvandakaudzwa nadad ndikavavimbisa kuti
taizoita sekureva kwavo. Pakurara
handichatauri hangu ndaive ndisina usimbe
nepakati pemakumbo eumwe wangu dai
zvaibvira ndairara ndakabairira husiku hwese.
Takarara tatenderana kuti taizobva pamba
nasix kuseni zvinova zvatakakwanisa kuita. Isu
takafamba tiri four nana mai Ashie jaya
nemhandara vakaenda vega. Ndizvo
zvavaizvideedza vachiita vana mama nadad.
Hatizivi kuti vakaenda neroad ipi asi
takavatangira kusvika kuHarare.
Pavakasvika vakatideedza tese nevazukuru
tikagara pasi ndokupiwa list yemidziyo
yakabviswa pamuchato kozoti cash yavaive
nayo. Dad vakazotora envelop yavaive
vakagarira vakasvitsa mama, ikasvitswa mai
Ashie avo vakazosvitsawo kwandiri. Mama
vakati “vhurai muone mese naMasiziba
ndezvenyu mese zviri ipapo.” Purity wacho
aive akagara pasi pedyo nekumusiwo
ndakavati ndaizomuratidza kana ndatanga ini
kuona. Ndakavhura ndisina kana fungidziro
yekuti mukati maive nei ndikavhunduka
ndichiti “dad?” Vakasekerera vachibata ruoko
rwamama vakati “yes son ndizvo zvatawana
ini nemhandara yangu for our parents.”
Zvimwe zvavaizoitak vaviri ava
zvaindichemedza ndakaenda ndikanowira
pamakumbo avo ndikati “thank you dad,
thank you mama.” Mama vakasumuka
vakanombundira Purity chero hake aive asati
aona zvaive muenvelope.

End of chapter 20

Love you guys


CHAPTER 21
*Mai Mapanzure*

Kubva ndichiroorwa naMapanzure handina


kumbonyatsofara zviya zvekuti unonzwa
moyo wakanyatsozorora. Aindida izvo
ndaizviona haana kubvira andiitira chipfambi.
Ndotaura zvandaiona kwete kufungidzira kuti
varume havarevererwi. Chakaita kuti
nditangirire nekusafara mumarriage yangu
idambudziko rakatiwira tichangoroorana irori
rekuti taidyara vana pasi sembeswa inonoora.
Panguva iyi aiita zvepolitics ari kuyouth
ndakatowana mari ave nayo nechekare.
Aigona kutsvaka chero umwe mukadzi waada
obarirwa vana asi akaramba akamira neni
mukuremerwa kwataive nako. Hama
neshamwari dzakatanga kutaura kuti
“anoshingirira akadiiko nerimwe zuva
muchanzwa kwakunzi kwave nemwana.”
Nehudiki hwandaive naho ndaiitawo
mashamwari ekuturira nhamo dzepamoyo asi
ndakatozoona kuti mukushamwaridzana
imomo vamwe vaive vakuda kutora
dambudziko rangu kuti vawane mukana
wekupinda mumarriage yangu. Ukaona uine
shamwari yako ichida kuyambukira kunoita
shamwari yemurume wako gara wangwarira
magumo acho unochema. Ndakabva
ndavharisa zvemashamwari ndikasara naiye
musiki ndiye chete wandaiudza nhamo
dzangu. Taizoti tasangana namaiguru vangu
mudzimai wemukoma wababa Innoe ndipo
pandaibudisa zvese zvairema ivowo
vachindiudza zvavo. Panguva iyi bamukuru
vaiita chipfambi chaisemesa chinova
chakazourayisa maiguru nemwana wavo.
Ndaive zvakare namaiguru vangu ava mai
Farai asi regai ndingoti vakazokura vakura
ndokuti munzwisise. Maiguru vangu vaiti
ukavaudza chinhu vanoita sevanokunzwira
tsitsi asi pane pataizoti totsiurana kana
hanzvadzi yangu aunza chichemo kwandiri
ndaibva ndatukwa nezviya zvandinenge
ndavaudza. Mai Farai havo vaiti vakatsikwa
chaiko nemunhu vari muline rekubank kana
kungodhumhiwa vachifamba nyaya yacho
yaiperera kumaoko. Ndipo paizonzi nababa
Farai “imbotaura nemuroora wako zvimwe
angakunzwe” ndaibva ndatukwa chaiko.
Pamazuva ekutanga ndaichema nekuti
zvekudzorera ndaisagona asi ndakazoenda
ndichidzidza muroora wangu ndikaona kuti
aitoda zvekupindurwa zvinova zvakaita kuti
ushamwari hwedu husimbe. Ndini ndakatanga
kuroorwa baba Farai asati asi ndaitoona kuti
dai muroora wangu akauya ndichiri musikana
pamba paigona kunetsa kugara. Zvisinei hazvo
ane benzi ndeane rake taingomarana
zvakadaro kusvika mwari vazondinzwawo
ndikabata mwana wangu anova Innoe uyu.
Kuzvarwa kwaInnoe kwakaunza mufaro
kukaunza promotion kubasa kwababa vake.
Ndingangoti kuzvarwa kwake kwakavhura
mamwe madoor muupenyu hwedu chikava
chishamiso. Unenge uchinetseka kuti dai
ndaita mwana asi paunomubata usafunge kuti
nhamo yako yapera asi inogona kutowedzera.
Vanonetsa vana vevabereki vane zvinzvimbo
ava kuchengeta nekuti misikanzwa yavo haisi
yekutemana nematombo kumombe asi kana
atofunga kuita hubhinya hunenge huri
hwepfuti. Tainzwa zvakawandazve handiti
taive takukwesherana mapendekete
nemamwe maminister aive nevana vayaruka.
Vana vazhinji vanosiya chikoro munzira
nekuda kwemadrugs vabereki vovharidzira
kuti zvisazivikanwa vonotonyora kuministry of
education opiwa maresults zvake. Madegree
iwaya amwe amunonzwa kune vamwe vana
ringori bepa asi vasina kubvira vagara
pabench zvachose. Hutsinye hwavanoita huya
hunokonzereswa nevabereki vanovaregerera
vachiri vadiki vana vachibvumidzwa kutaura
mashoko akashata kune vavanenge
vachitarisira pasi. Ini ndakagara pasi
naMapanzure ndikamuonesa makudziro
andaida kuita mwana kuti akwanise kupinda
musociety mune vanhu vemazera ose, vanhu
vemarudzi ose uye vanhu vanowana
zvakasiyana. Kubva paakagona kutaura Innoe
ndakamudzidzisa kuti vanhu vakuru
vanodeedzwa zvine ruremekedzo. Vana
sekuru vake akangokura achivadeedzera
nechiremerera chavo hapana pawainzwa
achiti Farai kana Nigel. Mainini Felie vainzi
mama izvo zvakaita kuti imwe mibvunzo
yaaimbondibvunza ndikwanise kuidaira.
Aibvunza kuti sei aive asina munin’ina
ndichimuudza kuti asatye zvake mama Felie
vaizomupa vakawanda. Vaibva vabvunzwa
pese pavaiuya kumba kuti “saka muchakura
rini mama mugoita vana vedu vakawanda?”
Mashoko iwayo akambotorwa nepamwe
namaiguru vangu vakange vakuti ndaida kupa
vaMapanzure muramu.
Muleague yedu iyi ndimo makazara abuse
kudarika kuvanhu vepazasi vamunoona
vachirovana siku nesikati. Imwe misikanzwa
inoitwa nevana vevabereki vanoshanda
muhurumende inokonzerwa naivo vabereki
pachavo. Vana vakatangirira vari vadiki
vachiona baba namai vachigara vachitukana
vanotoona sekuti ndizvo chaizvo zvinoitwa
kumunhu wese. Kushora kuya
kunotodzidzirwa kumba kana vana vozviita
vanhu vanobva vati “aa vana havana mugoni”
zvimwe zvacho musanyeperwa ndaiona ini
mukufamba mudzimba dzemaworkmates
ababa Innoe. Vana vanotaura zvavanonzwa
kuvanhu vakuru saka kana uri mubereki
akangwara nyaya dzako navana ngadzive
dzebible, tsika nemagariro akanaka. Ini kwese
ikoko ndakakunda zvangu, Innoe akakura ari
mwana ane rudo chero nevavakidzani hatina
kumboita dambudziko zvachose. Chikoro
aichida uye akapasser nekushingirira
achiverenga. Ndichimufananidza nana sekuru
vake paitove nemusiyano wakakura vana Farai
naNigel vaigona zviya zvekutoita sevaive
nenjere dzakawandisa. Ini ndairovedzera
wangu kuti kana achida kunodzidza kunze
kwenyika aitofanira kubuda zvakanaka.
Mumashamwari vaiti tisaomesera mwana
taigona kubairwa mabutton asika apa tiri
kutaura zvekuti aida kunodzidza kunze saka
taizotevera here kunobaya mabutton eikoko.
Mwana wamambo murandakumwe ndizvo
zvandaiudza baba vacho saka takaramba
tichingorovedzera akapasser zvinodadisa. Iyi
stage yaive yapfuura asi hazvina kundipa
mufaro muhana ungati kukura kwaaiita yangu
nhamo yekufunga yaikurawo. Hapana chinhu
chinobvisa chimiro munharaunda semwana
anofamba achimitisa vana vevanhu achisiya.
Ukaitawo baby-mama one zvinotaurika nekuti
unenge wakafanana nemwana musikana
anonzi aita mistake pekutanga akamitiswa.
Ukaona vakuzoita two zvichikwira umm
hwave utsinye nekuti hapana
paungazoteverera vana ten kunze uko
ukakwanisa kuvachengeta. Ukaona waita
more than one babymamas ndiwe mukomana
une dambudziko nekuti vakadzi vese ivavo
havanganzi vaisanzwisisa. Baba Innoe
vakazomboti “umm zvamakuita mwana izvi
muchamupusisa sei muchiti pese
pamangofona mobvunza nezvevasikana
vake?” Handina kubvira ndamuudza kuti
ndaida muroora weclass yakati asi ndakamuti
“pano pamba pangu hapana chinhu chinonzi
mistake. Ukanwa doro ukadhakwa zvako
wodzadzarikira pamusoro pemwana wevanhu
kana chembere yoita nhumbu ini
ndotogashira kuti muroora auya.” Mwana
ukamudzidzisa kuti akamitisa iwe amai wototi
“handidi muroora akadai, hee mwana wangu
achiri mudiki” anoramba achimitisa achiziva
kuti unomubatsira kuramba.
Akasvika pakupedza chikoro tisina
kumbonzwa nyaya dzekumitisa hamheno
kana aitaura chokwadi. Pane nguva yaunenge
uchiti asaita zvevakadzi wozotanga kuona
wega kuti ndakuda muroora. Innoe
akandishungurudza zvenyu shoko rekuroora
raiita seraimubaya apa aitopindura chaiko kuti
“please mama I’m fine musandimhanyira.” Dai
aipinda church ndaiti zvimwe afunga kuita
fata hake. Kunze uko nenyaya dzemagay
ndaive ndakuti ndikafungisisa nezvazvo
ndaitonzwa chipfuva chichipisa. Vana vanoita
zvavo zvekukotamiswa nevamwe varume asi
ndoona sezvakafumuka ini hazvina chimiro
zvachose. Ndaimboedza kuti andiratidze
vasikana vake shungu dziri dzekuda kuona
kana aitoitawo zvavakadzi. Musikana
wandakangonzwa mumwe chete ainzi Maria
here kana ndisingakanganisi asi handina
kumbomuona. Rudo rwavo rwaisanzwisisika
waiti ukabvunza kuti vairongei aiseka oti “uyo
siyanai naye mama anotove
nezvinomunetsawo.” Mukati raisave zita
chete raingoshandiswa kuti ndine musikana
achida kutivhara zvedu. Ungatyei kubuda
pachena kana une vabereki vanokuti “ita
zvinhu zvako tichiziva tigokwanisa
kukusupporter.” Paakazouya kuZimbabwe
achiti akuzotanga company yake ndakaona
kuti nababa vake vaive vakutanga
kunetsekawo. Kuita company zvaireva kuti
aitsvaka mari asika mari raisave dambudziko
taidawo kuti atangirire achatemwa dzinobuda
ropa kuita mhuri. Taigona kuzomubatsira
tichiri vapenyu kana asangana nedambudziko
ratakasangana naro isu mumba medu. Mwari
vanonzwa minamato veduwe chinodiwa
kuramba wakangotarira kwavari. Shoko
rekutanga rakabuda mumuromo make musi
waakasvika patakambundirana nderekuti
“mama ndauya Mwari vakanditendera
ndikawana musikana ari straight ndakuda
kuroora.” Ndakaseka ndichiti pamwe aitamba
nekuti moyo wangu waive wakutoda
kuzvigashira kuti ndiyo yaive sarudzo yake
yekugara ega asina mukadzi. Ndakamuti
“tibvire zvedu isu mvura ingasanaya kusina
makore kana iwe President wemabhachura
waroora.” Ndorangarira pandakatanga kuona
mai two kare achiri musikana ndakamuchiva
chero zvake bhonzo rake rairatidza kuti aive
mwana mudiki. Pane chakanaka ziso rinoona
ko imhosva here kurumbidza ndakatozofara
atorwa naNigel. Chisingadiwe panyaya
dzerudo kunyengera dai ndakamhanya kuti
kuna Innoe kwaita musikana kuno ndototora
mai two ndosebedza pedyo zvaizonetsa
vasangana naNigel. Pamwe ndaizomurwadzisa
ini ndamuvimbisa kuti ndine mwana anoda
mukadzi iye Innoe obva ane umwe ikoko
kuchando kwaaigara. Zvinoita munhu
akangwara ndezve kutsvaka nzira yekuti tsoro
yako ibudirire. Mai two ndaigona kumutora
sekuvimbisa kwandaive ndaita kuti
ndaizomuendesa kuUniversity then mwari
vaizopedza vega. Ndongotenda mwari izvozvo
zvakaitika ndakazvikudza musha wehanzvadzi
yangu waive wave nechiremerera nekuda
kwevaroora vakauya mumusha. Ndaivada
vese mai two namai Natie hatina kuita
seimwe misha yaiti muroora akauya matare
nematare ekurwa nekutukana ogara
achishungurudza vanhu.
Rangu zai regondo rakatanga kuzadzisa
zvaraive ravimbisa kubva musi warati raive
rakuda kudzoka kuzogara kumusha. Company
yake akatanga ega pasina kana help yedu
zvaidadisa nekuti ndikoka kukura kwacho
ukaona mwana akugona kuita budget dzake.
Mukaona mwana achiti akawana kamari
anonopedzera kudoro zivai kuti paanoita
mhuri mukadzi nevana vanodya nhoko
dzezvironda nekufamba vakashama. Hazvina
murume kana mukadzi munhu wese
anofanira kudya nhasi achifunga
pamangwana. Taifara nekuve responsible
kwejaya redu kana kuti regai nditi
kwebhachura redu asi basa takaona seraive
rakumuba kwatiri vabereki vake uye
aizokwanisa here kutitsvakira muroora
pakadai? Vana sekuru vake vaaifamba navo
vachironga zvemuchato ndaishaya kuti
ndovaudza sei kuti vapote vachitaure
nemuzukuru wavo atsvakewo musikana
wekuroora. Pakadai veduwe unenge
wakungoti chero mwana awana mukadzi
zvekuti anozoda hama inenge yave imwe
nyaya. Ndiani aiziva zvaitaurwa nevanhu
kunze uko pamwe vaitoti mwana
akagadzirwa. Hazvina kunaka hazvo
kuraramira nyika asika pfungwa dzinomhanya
pese-pese kana zvinhu zvisiri kufamba
zvakanaka. Munomboziva here kuti munhu
akatadza kuita mwana anonzi pamwe
waibvisa nhumbu saka nguva yako yakadarika.
Umwe anotonzi akambodzipa mwana apa
achinyeperwa so mashoko iwayo anorwadza
hapana paunombomadzima mumoyo.
Pakaitwa muchato waFarai taingoringa nzira
nekuteerera kuti pamwe tichanzwa good
news. Pakauya vasikana type netype asi
wakasvika pakudarika muchato pasina
zvataurika. Kumba aiuya nenguva Innoe
mukutaura naye tichibvunza kwaanenge
aswera aingotaura zvekubasa.
Shoko raPurity rakauya ndakawarairwa chero
zvaro rakasvika dziri bad news. Ndaive
ndamuona mwana wamai Madondo uyu
ndikangokuvarira mukati ndagaraka
zvekunyengera zvaisave mandiri chandaigona
chete kuvakidzira panenge paita rudo.
Chakaipira kunyengera ndechekuti umwe
anenge ari mwana ane tsika asi akaona kuti
mamutsvaka muri desperate anogona
kuzokunetsai. Purity aive asina chaishoreka
paari amai vake vaive munhu wevanhu uye
vaifara chaizvo. Umwe mwana anove
akadzikama asi ozokanganiswa mafungiro
naamai vake kana vaine hundyire.
Takamboremerwa nenyaya dzaPurity nekuti
patakanomuona kuchipatara upenyu paive
pasina. Mashoko aitaurwa acho waishaya kuti
woteerera api vamwe vaiti akarohwa aenda
kunoonana nemurume wemunhu. Taive
totyira zvakare machances ekuti aigona kunge
akabatwa chibharo. Mwana wangu
nekurimwe rutivi aisiririsa anenge aive apinda
murudo nezvese zvake ndaisada kumuona
achichema dai ndaive nesimba ndaimurapa
hangu Purity apore nekukasira. Chero baba
vake vakarwadziwa apa ndipo pandakaona
kuti ndaisave ndega mukushungurudzika
nekusaroora kwaInnoe. Vakazotaura umwe
musi husiku takarara hanzi “dai akangoti
achidiwa achitomutora hake pasina zvese izvi?
Ko aitihwandisira kuti zvidii inga
ndakamuudza wani Innoe kuti asatye kana
pane zvaanoda ndiripo semubereki, sekuru
kana shamwari chaiyo yake.” Kutoshaya hope
baba Innoe vachiumburuka husiku hwese
sevainzwa mudumbu. Tainamata pamwe
tichikumbira kuti simba ramwari rionekwe.
Ayewa regai zvichinzi ukagogodza
unozarurirwa wakadavirwa munamato wedu
zvese zvikadzokera mugwara. Vana vaive
vodanana zvataiziva achiuya achitiudza Innoe
zvavaironga zvekuroorana. Paive pasisadi
kunonoka apa takamhanya-mhanya
tikakumbira hana yakabva yanyatsogara
panzvimbo. Ndaive ndavewo nemwana
musikana muupenyu hwangu izvozvo zvega
zvaingondipa kuseka chero ndiri ndega
ndofunga vaindiona vaitoti amai ava
dzakudambuka njere. Mapanzure aionererwa
zvake wainzwa akuti “arisei mwana wangu
mudumbu umu” achipuruzira kurevaka kuti
ndaive nenhumbu yaizozvarwa nekuchata uye
kuuya mumusha kwaPurity. Iye zvake Purity
aive nerudo ndaifonerwa totaura saamai
nemwana wavo chero zvake ainzwikwa kuti
ainyara asi ndaitenda mwari nekuti vamwe
varoora nana vamwene vanorarama upenyu
hwekusatsikidzana pamikova. Kubva musi
watakanobvisa pfuma isuwo sevabereki
takatanga kuronga upenyu hwevana vedu
yaive yakwana nguva yataichemera kubva
kumashure kwese uko. Takasara tosvika
pamuchato zvese zvedu zvatorongeka
hamheno kuti Innoe aizozvigashira here
semunhu aida kuzvishandira zvake zveziya
rake. Vana vakaita zvakanaka momboziva here
kuti vanowedzera mufaro mumba mevabereki
vavo? Ndorangarira musi watakabva
kumuchato vana vakanga vatokwira masikati
kuenda kuhoneymoon isu takasvika kumba
ndikadeedzwa kubedroom nababa Innoe.
Vazukuru vaive busy panze nana sekuru vadiki
kurongedza zvinhu zvaive zvabviswa.
Ndakanosvika ndikambundirwa naMapanzure
akataura ari very-very emotional hanzi
“ndabva ndadzoserwa ndangariro kumashure
chaiko patakachata mai Innoe. Waive mwana
mudiki ukatiza ukanoomerera kumusana
kwatsano baba Farai uchiramba kuenda
kuhoneymoon.” Zvababa Innoe veduwe
vakatondiyeuchidza zvinhu zvandaive
ndakanganwa ndakabva ndaseka but
pandakasumudza musoro ndakaona kuti
maziso avo aiita seemunhu aida kuchema.
Ndakavambundira zvakasimba ndikati
“usafunga zvese zvakaitika pakati apa
muupenyu hwedu ngatitende mwari
nepavatisvitsa nhasi.” Vakandikisser zvisiri
zvekutamba zviya but waitonzwa kuti yaive
thank you. Nigel ndiye akavhiringa zvese
paakadeedzera ari kudining achiti “aunt isu
takuenda kunoisa mota kugarage tokubatai
tadzoka.” Rudo haruna makura
runongonakidza kani. Vamwe vanove vana
vadiki asi mumba rudo runenge rwakatodzima
kare nekuda kwekusavimbana, kusasarudza
mashoko ekutaura, kusapa mukadzi kana
murume nzvimbo yake kozoti kuda kuitwa
mwari nemukadzi kana uri murume
anoshanda ega achiriritira mhuri. Ini
ndakangoshanda ndiri musikana
pandakazoroorwa ndakave house wife
Mapanzure achiita zvese asi hatina kana
kumboita dambudziko. Chikonzero ndakaita
house wife hakusi kuti ndakamanikidzwa asi
kuti mabasa avo varume ava vanoshanda
muhurumende ari very challenging anotoda
mukadzi anogara ari alert chero murume
akanzi rwendo zvechimbi-chimbi unokwanisa
kumurongedzera. Mapfekero avo vachisvika
pane vamwe akakosha nekuti vanofanira kuve
well dressed uye zviri presentable.
Vana Nigel vachangobva kwakasara kukasvika
baba Farai namaiguru aimi Innoe
aishungurudza vanhu vakawanda kusazvitaura
kwaive kufira mumoyo. Muchato wake
wakasunungura vanhu mukufunganya
kwairema taive takutotarisira zvemberi kuti
mwari vakurumidze kutinzwa tiwane vazukuru
zvedu ropa richatemwa richibuda.
Pakukumbira kuna Mwari usaite seuri
kudemander vanotsamwa ndipo paya
paunozoti “seiko zvangu zvisingagadziriki.”
Tarisira kuwana kana kushaya wozvipira
kugamuchira zvinenge zvabuda zvacho.
Unonzwa umwe achiti “muroora wangu
akatadza kuita mwana ndomudzinga” ko
akave wako mwanasikana ashaya mbereko
ungafara here achidzoswa kumurume?
Zvaunoshuvira pamwana wako ngazvive
zvaunoshuvira pamukwasha kana muroora
ndipo panobva kuve mubereki ane rudo
neuchenjeri. Chinonzi kuvaka kuzvipira kuti
kana panzvimbo paine hunyoro wouya neplan
kuti pangade material yakadii.
Parukangarabwe ndizvozvo zvimwe chete
nekujecha kana kumakomo. Usasarudze
munhu uchiti uyu handimudi nekuti ane
dambudziko asi tarisana nedambudziko rake
mozvipira kurifambira kana richigadzirika
motenda mwari nekupembera pamwe. Ini
ndaifara chaiko chero aindiona aitotanga
kugashirwa nemufaro waipenya kumeso
kwangu. Chaive chasara kuenda kumusha
kunomirira kudzoka kwemuroora. Taida
kuenda nekukasira muchato uchangopera asi
baba Innoe akati timbomira titange tanzwa
kuti vana vaive vafamba zvakanaka here
kwavakaenda. Ndakawirirana nemashoko avo
South-Africa yaive nezvirehwa-rehwa
waitotenda wafamba zvakanaka pakuenda
nekudzoka. Chimwe chaiita tisagadzikane
inyaya yekuti muchato wevana wakange
washambadzwa mumanewspaper kana
neakaitawo izvozvo asina kupiwa mvumo
takamushaya. Ini ndaida kuti atsvakwe
atsiurwe asi baba Innoe vakaramba vachiti
“ko tikawana ari umwe wekuside kwana
tezvara tozodii ngatichingotendai kuti
muchato wakaitwa ukapera zvakanaka.”
Akazofona mwana wangu aine mufaro
ndikaziva kuti aive azviwanira wake mukadzi
ega. Ndaitoda kuudzwa zvakaitika ini nenyadzi
saamai vanoziva kuti mubedroom remuroora
hamupindwe ndakamudimbudzira.
Ndakaudza baba vacho vakafara kwazvo ndipo
patakatanga kugadzirira zvekuenda kumusha.
Baba Farai vaivepo pese apa vakatoti
vaizodzokera kuBulawayo kana zvese zvaitwa
zvapera. Taitoronga kuti machira
ekwaMadondo aende kana vana vadzoka
sezvo ndaitaura nasevere vangu vachiti vana
baba vaMasiziba vaizodzokera kana vadzoka
kuSouth. Zvaive zvakanaka kuti tivaratidze
kutenda kwaive pamoyo yedu
nekuzvichengeta kwaive kwaita mwana wavo.
Takasanotenga zvinhu zvacho zvese tikaisa
mumba pamombe yechimanda taizonzwa kuti
vaida iri mari here kana kuti vaida inotsika.
Takazodzika tonomirira kuuya kwemuroora tiri
kumusha. Kwaive nebasa rakati wandei but
kugarisana nevamwe zvakanaka kwakanaka
takabatsirwa nevanhu vemuraini musha
ukasara wachena. Taive tasara nemukomana
one wekufudza mombe uya mudiki
watakaendesa kuchikoro akabudirira
muzvidzidzo zvake zveO’level akati aida kuita
course so baba Innoe vakamutsvakira
nzvimbo kuMorris Depot. Mukomana aive
asara aiona zvezvipfuwo saka nguva
yekusakura nekutsvaira payard ayiishaya.
Ipapa takatosvika tikaisa message mumaraini
kuti kana paine aida basa aigona kuuya zvake
totaurirana.
Mazuva akafamba vana vakadzoka, wangu
kana kwaive kusaziva kana ndiyo misikanzwa
yacho ndakatozvishaya ini. Takasiya baba two
kuHarare tichiti vagouya pamwe chete asi
takanzwa dzave dzimwe nhoroondo.
Vakarasika vana Masiziba tikange tisisina
mufaro kwedu kuMberengwa uku nenyaya
yemakorokoza kwaitotyisa chaiko kuti vanhu
vafambe husiku. Vazhinji vaichema nekubirwa
vakabatirwa mapanga kana waita nharo
vaikuita kafira mberi kana kutouraya chaiko.
Vakazosvika zvavo tikafara kuti vaive vasina
kusangana nenjodzi asi Masiziba akanga
asingakwanisi kana kudii achichema
nemudumbu. Zvangu zvaizopera here nhai
Mwari kupemberera kwangu kwaive
kwenguva diki-diki. Takabvunza kana ainzwa
jeko akati haana kumbobvira aita zvakadaro
upenyu hwake hwese. Dambudziko
kungotanga here mwana aenda
kuhoneymoon ndakazvishaya kuti zvairevei
ndikasara ndakuti pamwe wangu akaita
mafambiro akaipa hake. Uya musikana
wekusungwa aibheja achiti vairara vese
kubasa, murume akamupa mwana ainzi aive
nechigogodza mutanda chesick
chakanorwarisa munin’ina waMasiziba akaita
seachaora achifamba. Ndipo paya
panokurudzirwa kuti vana vadzikame
hazvirevi kuti unenge uchirambidzwa
zvinonaka asi kuedza kudzivirira nyaya
dzakaita seidzodzi dzekuti mhuri yese
munopedzisira maurayiwa nechirwere chabva
kumunhu mumwechete. Ndakasvika
pakufonera Farai kuti anditsanangurire zvizere
tigokasira kuenda kunorapisa vana zvisati
zvangondomera. Akataura kuti timubvunze
kana aibuda discharge yakakora inonhuhwa
uye isina kuita white. Kuvaviwa kusikarudzi
nekubuda mapundu anenge maduzu ekutsva
ndiyo imwe yemasign futi aakataura.
Ndakamubvunza akati hapana kana chimwe
chezvatakataura chaiitika paari. Akangozoita
nani nekutoita basa nevamwe ndikatanga
kubvumirana nezvakataurwa namaiguru mai
Farai kuti pamwe mudumbu maive
mangovhundukawo. Pakauya Innoe kumusha
ndakamuudza kuti aifanira kuendesa muroora
kuchipatara tigare tichiziva kuti aive right here
kwete kuzomirira kurera urwere. Zvekumusha
takapedza ndiyoka part yakakosha iyi vanhu
vanoona sekuti kuenda kumusha kusara asi
pane zvazvinoreva muchivanhu chedu.
Mwana akarwara anonzi aende kumusha
kunotsika ivhu chete umwe anobva atopora.
Vamwe vakadzi vanoroorana nevarume
vogara mutown vakadekara vozonzwa kuti
murume atora mukadzi aisa kumusha.
Pachivanhu chedu mukadzi anenge atanga
kutsika pamusha ndiye mukuru. Zvaitoda
kudzidziswa vana izvozvo vazive mafambiro
anoita tsika dzedu pakuroorana. Ini vanhu
vakawanda vaitonetseka kwazvo kuti sei
ndichida kumusha kudarika kutown asi
ndaiziva kuti chiremerera chemhuri chiri
kumusha. Maiguru vangu ndakavabvirira kare
kuvaudza kuti dai vatsvaka ruzevha vavaka
vakaramba havo asi ndaive ndakutoona kuti
vakuchiva upenyu hwekumusha kunyanya
pataisvika pamba pana mai two zvapo paigara
vanhu nguva dzose wainzwa kuzorora.
Takadzokera kuHarare takunopa vana zvipo
zvavo zvavakawana pamuchato uye taida
kuzogadzirira kuenda kumuchato
wemuzukuru waive wasvika. Taive taisa imba
yekuBorrowdale Brooke muzita ravo yaive
hombe yakavakwa zvakafanana neyataigara
iyi. Amwe mapaper aivepo were stating kuti
ndivo vaive maSole owner ezvese zvataive
nazvo and zvaizoiswa mumazita avo musi
wataizonge tisisipo panyika tese.
Akashamisika Innoe amwe maproperties
ababa vake aisamaziva sezvo aigara kunze
kwenyika. Zvese zvaive zvakanyorwa pabepa
vachiti kana pane zvimwe zvaizotengwa
taizowedzera. Chikonzera takavapa masimba
ekutora zvese tafa ndechekuti vabereki
vakawanda vari kuchema nenyaya dzavana
nevaroora idzi. Muroora anouya oti wapwa
zvinhu zvave zvako saka kana amai vasara
baba vafa munoona kuti vamowana simba
rekuvadzinga vovati endai kuhama dzenyu.
Vakasara votengesa kana kuputsa usisipo
usingazvione ayewa zvinenge zvave kwavari.
Sekuru baba Farai vakabvisa musoro wetruck
wavakati aizotsvaka trailor oshandisa kubasa
kwake. Takabva tatoronga ipapo kuti sekuru
vaMasiziba vadeedzwe muzuva raitevera
machira oendeswa tisati taenda kumuchato.
Ainyara muroora wangu ndosaka takavapa
imba ndaisada kumudzvanyirira achigara
asina kusununguka. Vaifanira kuve nenguva
yavo nekuti kana muchangoroorana ndipo
pamunodzidzana nekuronga zvamunenge
muchida mune ramangwana. Isu
patakarooranak nababa Innoe takatora nguva
tichiti kana tiri pamba hembe hatipfeke
dzakakwana uye taive tisina mutemo wekuti
bedroom ndiro rega rekupanana rudo.
Zvaizove kwavari kuti vaida kugara here nesu
kana kuti pataibva kumuchato waRhoda
vaizosvika vachienda kwavo kuBrooke.
End of chapter 21

Love you guys


CHAPTER 22
*Purity*

Vabereki vedu pavanoti mwana kana akuziva


murume havakwanisi kugara naye vanenge
vasingaomesi moyo asi vanenge vachitaura
zvavanoziva. Handizivi hangu vaya
vanorambana nekuda kwekurovana kana an
sort of abuse asi ndakaona sekuti nyama
dzinotodairira pega padzinoona muridzi
anenge achikupa rudo. Patakaenda kumusha
takawana kwakazara nevanhurume ava
vakadzi handicharevi zvangu nekuti havasi ivo
vane nyaya hombe yandakaona. Haumbonzwi
ruchiva kana padiki pese muviri wangu hauna
kumbosimuka hasha sezvandakaita pakasvika
Innoe. Ndaive ndotadza kugarisika muhembe
muchiita semunofamba masvosve. Paaitaura
hana yairova ndombotsinzinira chinzwa zvaive
zvaita nyatso dzemazamu kuoma kuti gwaa.
Handizivi hangu pane vanoita chipfambi kuti
chii chinenge chaitika asi zviya zvekuti mvura
payakafamba nayo hairegedzi ndaiona
sechokwadi. Ndiro dambudziko
randakatofunga hangu pamunin’ina wangu
kuti kana aizotadza kutungamidza marwadzo
ekupiwa chirwere nemavanga ekurohwa
naJona aigona kupamhidzwa umwe mwana.
Ndaive ndave mazviri ndakunzwisisa ko
kunyepa here zvinhu zviya zvinonaka mhani
unogona kutsamwira vakuru kuti ko vairegerei
kutaura nguva iripo ndakatsvakawo wangu
anondiroora. Nekune rimwe divi mbuya mai
Munya nana sisi vangu havana kuneta
vaingokurudzira zvemubedroom imomu.
Hanzi nambuya “hatidi kuzonzwa kuti
makanopedza week yese muri kuhoneymoon
ukadzoka uchipinda mumagumbeze
nehembe. Murume paanoti ndidewo anenge
achitoreva chikiti chiri pakati pemakumbo
saka ngachirohwe chaiko kusvika chaibva
ndobasa racho. Nzara hairehwi kumaraini
ndopanobva chipfambi ipapo nekuti
ukanoudza amai vepanext door vachaita
makuhwa kumurume wavo ototanga
kuhwehwedzera muzasi mako. Muudze
murume wakamutarisa kumeso chaiko kuti
handisi kuguta wedzera marounds kana kuti
wedzera maminutes. Yave nhumba
yeruonekedzo pamwe uchatitsvaka wakuda
mazano isu tinenge tisisabatike nekuti
takabvirira kare tichikuraira yave nguva
yekuratidza zvawakaudzwa nemabasa.
Usazonoita makakatanwa nemubatsiri
wemumba makatosiyana nekure iwe uri
muroora basa rako ndere kuona kuti mumba
makachena here, baba namai vadya vakaguta
here kozoti murume uyu hapana zvekuti
ndaneta ngaabikirwe agare akaguta. Husmart
muberoom mako kwete kunochengeta zvinhu
zvinyoro zvosvika pakusimudza kunhuhwa
kwekuvhunda.” Zvimwe vaive voita neshungu
mbuya vangu takatoshaya kuti tete vaive
vaenda havo kunodii. Ini havana kubvira
vataura neni chero pandaivaiti “mamukasei”
vainyebedzera kuve busy votovhara-vhara
nedzimwe nyaya. Chandakatenda ndechekuti
havana havo kunotinyadzisa taitotyira kuti
sepamba paive nevanhu vakawanda pamwe
vaigona kuzobatwa muzvicorner
vakakotamiswa.
Husiku hwakauya vana Innoe ndakapiwa
bedroom akaita zvacho zvainzi zvemutemo
chero hedu taive tatonakirana kare
kuhoneymoon. Paakaenda kunogeza
ndakamboda kupinda mumachira nehembe
ndikafunga mashoko ambuya mai Munya
kozoti patakadzoka kuSouth-Africa taive
takungorara tisina hembe isu. Ndizvo
zvaitaurwa nambuya izvi kuti munhu
akangwara haarambi achiudzwa chinhu
chimwe. Ndaifanira kuratidza umwe wangu
kuti ndaikura uye ndaigamuchira zvaaida
murudo rwedu. Ndakapotsa padiki-diki
ndawanikidzwa ndichibva kunoviga hembe.
Husiku hwakanakidza ihwohwo handina kana
kumborwadziwa nekushandurudzwa rutatu
rwese kuzasi kwangu kwaiita sekwaive
nenzara. Chimwezve maronda aya
ekudamburwa aive akuvavirira kupora saka
paaiita ndainzwa sendaikwenyiwa. Kuseni
vana sisi vakatonditi “toendaka mainini
munoda here kusara kuno mega-mega?”
Vaiseka havo neni asi iii majokes avo aya
aisavaraidza vaida kunditora kuendepi neni
ndichisiya muzvezvenenga wangu hangu?
Kuseni kwakare ikoko vanhu vaingokwenyana
nekunonoka kumuka kwakaita Innoe. Ndaive
ndakunyara ini sepatakaendesera vana baba
nasekuru baba Farai tea kudining takati
tichibuda vachisara vachiseka. Zvaiita sekuti
wese aseka aireva ini unoshaya step kani.
Vakazoenda havo vana mbuya mai Munya,
sekuru nambuya vekuBulawayo koti sekuru
baba two nambuya mai two. Hatina kusara
tichigarisa takateverawo mangwana acho
yaive yakwana nguva manje yekuti ndichigara
nevabereki vangu vatsva. Ndainyara hangu
nekutya zvese asiwo aive makomborero kuve
nababa muupenyu hwangu ndichimukawo
kuseni ndivati mamukasei sezvatakakura
tichiona vamwe vana vachiita. Ndaida kuvapa
mwanasikana wavakanga vasina anova ini
saka iyi yaitove butter trade yandaishuvira
kuti ibude zvakanaka. Ndainzwisisa
zvazvakakoshera kuva nemwanasikana nekuti
taimboita imwe nguva yataitaura zvakadzika
namama Madondo kureva kuti kana une
mwanasikana uri amai uye une shamwari
yako. KuHarare takanopiwa zvipo zvakabviswa
pamuchato handicharevi nemazita
hazvingaperi. Yaive quality yega-yega
taitozotora makore nemakore tisina kupinda
mushop kunotenga. Zvimwe hazvo zvaida
kutsvakirwa mamatching colours sekuti
waigona kuwana macouch ewhite akamira
oga saka zvaizoda kutsvakawo imwe midziyo
yekuti kana wakurongedza zvibve
zvaenderana. Iyo imba yekwaMapanzure iyi
veduweka vamwe vanhu vaigara kudenga
zvavo muchinyararire ndakapa kutenda.
Vakatoita havo vakanyora manumber
pamarooms chokwadi maizonzwa kuti Purity
akarasika akanowira mubedroom ravamwene.
Property chitaurirwa mbare dzegotsi
handifungi kuti vaitenga muZimbabwe ini.
Zvazvaidai mumba medu umu kuzoti kune
vaya vakuru vekupedzisira ndofunga hwaive
hunjiri-njiri hwezvinopenya zvoga. Mama
Mapanzure ndivo munhu aifanira kufamba
akasimudza mapendekete nekudada asika
amai ava ndakavatya ini. Waiti ukavaona
kunze uko vaibva vazvideredza kusvika palevel
revanhu vavanenge vanavo panguva iyoyo.
Ndaida kudzidza zvakawanda ini kwavari
vamwe vanhu vanokomborerwa naMwari
nekuda kwekuzvirereka kwavo. Ivo baba musi
wavakauya kumarooro kumba kwedu vaive
vakagara parupasa dai vaive umwe munhu
wekuzvikudza vaitobva necouch ravo rekugara
vakaita samambo mberi kwemunhu wese.
Touyazve kuna Innoe uyu aindishaisa
mashoko chaiwo ekuti ndingamutsanangura
sei. Vana vane vabereki vane mari vazhinji
vacho havadi kushanda vanenge
vachingonokora mari kumba kwavo
vachipfachura. Ndakanamata mumoyo kuti
mwari andichengetere mama Mapanzure
ndipiwe vana vachiri vapenyu
vagondibatsirawo nemazano. Mumba umu
maive musina munhu anocleaner sezvo kubva
pakatanga muchato musikana aivabatsira
basa ainzi aive aenda kuoff. Waitoramba kuti
maisatsvairwa zvese zvaive muorder
takangozobatsirana nevazukuru kupukuta-
pukuta hedu ini ndaitonyara kugara pasi.
Takadeedzwa kuti taidiwa kudining uyu Innoe
pese apa aive akazvivharira kuroom kwake
handina hangu kunge ndapindako. Mutemo
ndaiuziva zvakanyanya wekuti unomirira
kupiwa pekugara nekuudzwa zvekuita kwete
kusvika panzvimbo wozara-zara kuita
sembavha inotsvaka chekuba. Ndakaenda
kudining ndichinyahwaira sendaive ndakatsva
pasi pemakumbo. Mupfungwa ndaiti pamwe
ndakunoudzwa mitemo yemusha.
Vakatigashira nesmile baba vakange vati
ndigare pacouch ndikaramba ndokugara
hangu pacorner nechekumusuwo. Ndezvimwe
zvezvandakarairirwa nambuya izvi nana mama
futi vakarovedzera vachiti “munhu haagari
pakakwirira pana vatezvara. Kugara muHarare
hakurevi kuti tsika ndedzekumusha mwana
akarairwa anopfugama achikwazisa vakuru,
anopfugama achipa vanhu chikafu,
anopfugama kana adeedzwa achimirira
kuudzwa zvaanenge adeedzerwa uye
anopfugama kana achisheedza vakuru.” Baba
vakatanga vagadzirisa pahuro ndokuti
“ndakudaidzai vanangu musha wakura ndiri
kufara zvekuti dai moyo waivhurika
maionerera zvenyu. Pano Masiziva mwanangu
wakasununguka hatina zvinoyera isu zvinonzi
heee dzimwe dzimba hadzipindiwi.
Vachafamba newe vazukuru vako muchiona
zvenyu ndoda usununguke pamba pako pano.
Hapana chachinja magariro awange wakaita
kumba usati wauya ngaave ndiwo mamwe
mwanangu.” Veduweka zvakaoma henyu tete
pane pavakatombotaura tisati tachata vachiti
“tichanzwa kwakunzi kune imba isingapindwi
nemunhu wese-wese tigoseka zvedu.”
Chikuru chavaive vatideedzera kutipa chipo
chedu chemuchato so ndakaona
vakusvitsana-svitsana mapaper
vachizevezerana. Kuvhunduka kwakaita Innoe
kwakaita neniwo ndibatwe nekutya nekuti
akati “dad” ndokunowira pamakumbo amama
avo vaitoseka zvavo. Ndakazopiwawo
ndikaona aimi musatambe nekuBrooke imi
vamwe vana vaitomboendako kunoona
dzimba dzakavakwa ikoko kunyanya vaya
vaiita subject rebuilding kuchikoro.
Ndakaombera ndichibatsirwa nevazukuru
tikatenda uyu wangu Innoe aive agara akati
kwati pana amai vake. Innoe aida vabereki
vake ivo vachimudawo uye vaigona
kuyemedzana vanhu vacho so zvaitoda kuti
ndipinde musame route navo kuda kuzvipikisa
zvaizokonzera kuchema kwangu ini.
Pakataurwa zvekuti machira aifanira kuenda
kumba kwedu akabva atonotorwa tikamaona
ayewa hamheno kuti mama vaizowachira payi
raive hombe jira iroro richirema. Ndaigoti chii
zvangu vaironga isu tiripo pakutenda chete
uye ndaitenda nemoyo wese nekuti
vakawanda vaitoshuvira kubvisirwa zvakadaro
zvichiramba. Zvinhu izvi zvaifanira kuenda
nekukasira sezvo vana mama nana baba vaive
vasati vadzokera. Sekuru baba Munya
vakafonerwa vakati vaizosvika muzuva
raitevera voendesa shoko nekunodzoka
nemhinduro. Paizoendeswa machira ndipo
pataiendawo naInnoe tichinokwazisa vana
mama nekuvazivisa kuti taive tadzoka
kuhoneymoon. Zvese zvirongwa zvakapera
tikabuda nevazukuru takunogadzirira kubika
kwemanheru. Musakanganwe kuti ndaive
ndapiwa mvumo yekubata pese pandaida
pataive kumusha. Zvakaitwa vachitungamidza
mari mberi mama kubva kukwaziswa,
kuratidzwa panocherwa mvura, kuratidzwa
pekubikira nekubata zvese zvemukitchen
ndakatenderwa ini navamwene vangu.
Ukanzwa munhu akuti “zvese zvave mumaoko
ako mwanangu ini ndakutomirira kunzwa
kwauri” zvinenge zvichireva kuti wagashirwa
nemoyo wese. Vazukuru ava handina hangu
zvekutaura zvakawanda pamusoro pavo asi
vakandiita kuti zvinhu zvakawanda
zvindirerukire. Zvandaive ndisingazive
vaindidzidzisa tichiseka kuti ndinzwe
kusununguka. Manheru patakapedza kudya
vakandiratidza bedroom redu rataizoshandisa
naInnoe. Ndikaramba ndotaura zvefurniture
yaive pamusha apaka ndozonzi ndakudada
sezvadakaitwa natete ndichipindura mbuya
mai Munya vaive vandibvunza zvemazambia.
Ivo tete ndaitoda kunzwa kuti vakazobudirira
kuenda here ndaitoziva kuti kuve kwavo
kumba kuna mama raitove dambudziko
nekuda kwepamuromo pavaive napo.
Pandakaratidzwa imba yekurara Innoe aive
asimo vana mai Ashie havana kumbogarisa so
ndakatanga nekuwaridza pabed masheets
aive akabvanyangurwa. Handina kutanga
nekuchinja kuisa atakabva nawo kuSouth-
Africa zvimwe hazvidi speed. Ndakapedza
kurongedza ndikaenda kunogeza zvese
zvaivemo zvakakwana muroom umu.
Maitoratidza kuti Innoe aive achangobva
kugeza saka paive pasina zvekuti ndimumirire
tigogeza pamwe. Ndakapedza kugeza
ndikaenda kunorara zvekutobatwa nehope
asati auya. Paakauya ndakangonzwa ndave
mumaoko ake ndiye akatondimutsa paaida
kuisa musoro wangu pabendekete pake.
Akandikisser padama akati “sorry ndange
ndisingadi kukukanganisa hope dzako.”
Ndakagomera-gomera zvekunyepera sendaive
ndakadhakwa nehope kuri kutsvaka kuti
anyatsondibata zvakasimba. Muviri wangu
waitovhiringika kana Innoe ari pedyo neni
asina kupfeka futi nyama dzichikwesherana
ndaibva ndanyorova nekukasira. Akazoti
“tange tichironga zvekumuchato ini hangu
handisi kuenda tichangobatisa chipo chedu
kanana mama vonotisvitsira. Zvikafamba
zvakanaka Friday toenda kunoona mama
tichiendesa zvataurwa zviya saka kuzodzoka
Saturday futi tichienda kumuchato zvinenge
zvichireva kuti nguva yedu zhinji yakuperera
mukufamba. Hamheno pamwe ndogona
kukurambira hako iwe uchida kuenda?”

Ini: kana tikanzi tiende hapana chakaipa hapo


but ndange ndichiti patinobva kumba
ndonouya nemabook angu ndine
maassignments akawanda akandimirira.

Innoe: saka pakanaka hapo unobva wawana


nguva yekuita basa rako.

Nguva dzaive dzaenda hatina kumbotaura


zvakawanda akangotanga kundibata
ndikamupa zvandaidawo kuti andipe tichibva
tarara takanamirana. Kuseni akanonoka
kundimukirira nekekuseni aida kuita asi
paakapepuka ini ndaive ndakutobuda kuti
ndinotanga kuita basa rangu. Akaratidza
kurwadziwa akandideedza kuti ndidzoke
pamusiwo ndokufugura jira ndikaona haikona
aive akatoipirwa mukomana. Ndakangoseka
ndichivhara door nekudonha rute nhai-nhai
ndaive ndichiri normal here ini. Innoe
aindipengesa chaiko ndiri ndega ndaingoona
dzimwe nguva ndakusekerera. Vana mama
vakashamisika vachiwana ndatopedza basa
rekuseni ndakudzungaira kushaya kuti
ndobata chipi. Ndakaenda kunotora zambia
yavo nemandiro avo aya atakatenga kuSouth-
Africa ndikazovapa. Vakaita sevapiwa gold
kani kutobuda misodzi vachitenda zvawaiona
wega kuti zvaibva pakati pemoyo. Paive
pasina chaimbonyanyanya kushamisira henyu
pandiro idzi nekuti mumba mavo maive
netype yese asi unongove mufaro
wemubereki wese kurangarirwa nemwana.
Ndakasiya mama vachideedza vana mai Ashie
kuti vazoona ndiro. Vanenge vaigeza chete
nekuti vainzwikwa kuseka kwakasangana
nenoise yemvura vari kuroom kwavo.
Ndakanotsvakira Innoe hembe dzekupfeka
mumabag atakabva nawo kuSouth-Africa
ndaive ndisati ndavhura muwardrobe
kumirira kupiwa mvumo. Iyo fitted wardrobe
yake yaiita kurova corner to corner handina
kutowana mukana wekuverenga kuti yaive
nemadoor mangani. Akapinda ndakuda
kubuda apa akashama zvake ari rabu-rabu
ndakabva ndatarisa kuside ndichinyepera
kugadzirisa masheets pabed. Akasvika
achindibata nekumashure akaisa musoro
wake nepabendekete achinokisser padama.

Innoe: wanditizaka uchifunga kuti


hauchadzoki ukandisiya ndichirwadziwa.

Ini: itondiregedza hako ndoda kuenda


kunobika.

Innoe: unoda kunobika usina kundibikira


muno here? (Achikava mabag) ko hanzii
nemabag aya amana wadii kuisa zvinhu
muwardrobe?

Ini: aa nda-nda…..

Innoe: (akaseka achinogara pabed) munhu


akapinda muno anofunga kuti maybe pane ari
parwendo. Makey aripo padoor rekupedzisira
iro kana pane zvimwe zvaunoda unotarisa
mudrawer repazasi.

Akandirega ndikaenda kunobika takazonzwa


odeedzera achitsvaka baba akaudzwa kuti
vaive kubedroom kwavo. Yanga yave Thursday
iyi mama vairongedzera zvekumuchato saka
taivaona apo neapo. Innoe nababa vakadzika
nemasteps time yakasvika sekuru baba Munya
vachibva vanogara kugarden kuseri. Handina
kumbowana mukana wekutaura nasekuru
pedu tega hapana akanga amboziva zvenoise
yakaitika tiri munzira kuenda kumusha.
Zvimwe zvinoitika paukama zvinenge
zvichinyadzisa saka chinotodiwa kuvanziridza
upenyu hotoendeka hwakadaro. Vanhu
vekumba kwedu vaive vabvuma kuti tiuye
muzuva raitevera ndakatoswera
ndakugadzirwa musoro nana mai Ashie.
Vaineta here ava vaitonakirwawo zvavo
nebvudzi rangu raive rakakura. Innoe
akambobuda pakaenda sekuru haana kutaura
takangofunga kuti pamwe aive avaperekedza.
Baba kana kuvaona kubva zvakaenda sekuru
vaive kubedroom kwavo. Rakadoka zuva ssina
kudzoka Innoe tikazomuona manheru tichidya
paakasvika ana sekuru baba two. Havana
kugarisa chero chikafu havana kudya vaiti
vakumhanyira mbuya vaive voga kumba.
Taizoenda navo vese nambuya kwaMadondo.
Mombe yakanzi yaibviswa iri mari
yonotengwa kumusha nekuti paizoitwa
mutambo wekuiuraya tainoitira ikoko kwakare
kumusha. Manheru handina kurara zvakanaka
ini mudumbu mangu mairwadza nekurira
kozoti ndaibuda discharger yakakora yewhite
isinganhuhwi zvayo. Innoe akamboda
kunoudza mama ndikaona kuti kwaizove
kuvanetsa paya pazvakaitika ndiri kumusha
vakaratidza kushushikana zvakanyanya.
Kurwadza kwacho kwaive kuya kwekuti
kunokwirira nekudzikira zvekutombonyarara
chaiko saka ndakangoti zvaizopera kana nguva
yakwana. Haana zvaakaita husiku uhu ndaive
ndakabatwa achibvunza padiki-diki kuti
ndainzwa sei. Ndakamuka kuseni
ndichirwadziwa asi ndakakwanisa kushingirira
nekuhwandisa kuti mama vasazvione
tikagadzirira zvekuenda kwaMadondo.
Mama vakaita kundimhanyira pavakandiona
hanzi “ndange ndakusuwa.” Ini hangu ehe
ndaive ndavasuwa kwete zvekuti ndaizonzi
ndisare Innoe achidzokera ega ipapo
ndaitodeedzera nevoice repadenga kuti
“hazviite.” Vese nana mama vakuru waive
mufaro vachipemberera jira ravo rakaenda
risina kudamburwa. Hapana zvakawanda
zvaiitwa takatoswera takutandara isu vana
Innoe vakadzokera kumaeleven kuseni akati
ndaizofona ouya kuzonditora. Akandipa
mukana wekutaura nana mama handiti ndipo
pavanenge vachidawo kubvunza kuti
“wakagara sei, uri kugona here zvatakuraira”
nezvimwewo zvavaindirairira. Ndakavaudza
zvemudumbu mairwadza naivo vaisaziva ava
vakatoshamisika asi vakandikurudzira kuti
ndinoona gynaecologist pamwe pane zvaitoda
kukurumidzirwa zvisati zvaenderera. Mama
vakuru vaitiwo kana ndaenda kumaperiod
ndaifanira kutsvaka vanogona kubatsira
zvembereko. Vakatoshungurudzika vana
mama vakuti “chii futi chakuda kuitika?”
Ndosaka ndaizohwandisa hangu ndaisada
kuona vanhu vachinetseka zvakadai
zvaindirwadza ini. Tete hatina kuvaona
vakasvika vachidarikira sekureva kwavakaita
kuti vaizorara chete votoenda. Hanzi vakasvika
vakaridza mhere vachiti takavabatirana
munzira tikavarova zvaitoita sekuti
vakaramwa kuti vasafe vakadaidzwa kunyaya
dzangu. Ndivo vaitaura mashoko tete
vakatsiurwa vakuchinja nyaya zvino vana dad
vaivaziva hanzi vakavaudza kuti “mese
makadai muri vanasikana vekwaMadondo
mukatadzirana tauriranai nyaya ipere.” Ivo
vaiti vaida kuripwa ini ndaive ndabvuma kana
zviri izvo zvaizoita kuti nyaya yacho ipere asi
vana sisi vakaramba. Hanzi kubva
zvavakaenda vaifonerwa vanhu vachida
kunzwa kuti vakasvika zvakanaka here asi
vaisadaira. Munhu akazodzosa shoko ndiLucia
atokumbira foni kushamwari yake aenda
kumaextra lessons kuchikoro akatumira mama
message. Mama vakati vaizoenda kuVic-falls
kunoona Paida asi vainokasira kudzoka nekuti
mazuva avo ekudzokera kubasa aive asara
mashoma. Nguva dzekudzokera dzakakwana
ndisati ndagutsikana nekuona vamwe apa
ndiko kwaitove kuparadzana hamheno kuti
taizoungana zvakare semhuri rini. Innoe akaita
seaive agara ari pagate haana kutora nguva
pandakaisa message aive atosvika.
Kuparadzana nana sisi vangu kwakamurwadza
vaive vakajairana kwazvo vakangozovimbisana
kuti merimwe remazuva taizovashanyira. Mari
ndoziva hangu kuti vakapiwa aive asina
kuomera Innoe hapana pavaizoshaya
yekufamba vachidira fuel. Ini kutokanganwa
kupa mama Madondo zambia yavo nhai
ndakanozvirangarira ndakubudisa zvinhu
muhandbag patakasvika kumba. Kumba
kwacho mufaro waive mushoma kwaive
kuparadzana nekuparadzana nevanhu vese
vandaive ndajaira kuve navo nguva dzose.
Vana mai Ashie ndiko kwaitove kuonana ikoku
vainobva kumuchato waRhoda vachinanga
kudzimba dzavo handifungi kuti vainotora
mazuva akawanda nekuti vaingotaura zvekuti
vaive vakuda kudzokera. Ndaifanira
kuzvigashira hangu hapana chisingaperi inga
ndaimbonetseka wani kuti ndichazokwanisa
kuve musame room naInnoe here asi
zvakaitika zvikatopinda muropa. Mama
nababa ndaivanyara asi ndaiziva kuti mukuve
tiri pamwe chete nguva dzese ndaizosvika
zvakare pakujaira. Vakarara vaoneka baba
namama vaizodzoka musi weSunday husiku
kana Monday zvichienderana nekuti muchato
wacho waizopera paine nguva here yekuti
vakwanise kudriver kudzoka kuHarare.
Zvaireva kuti taizosara muzimba rese iri tiri
two naInnoe. Vaienda kumuchato ava vakati
vaizobuda kuchakasviba chaiko saka paive
pasina mukana wekuvaona kuseni. Ndakarara
ndaronga kuti ndaizokurumidza kumuka
ndoita basa rangu ndigowana mukana
wekuita maassignments angu ndaitoda kuti
vana mama vadzoke ndapedza. Semuroora
mutsva ndaida kuwana nguva yekuita
zveuroora ndisazonzi ndaihwanda nemabook.
Ndakazoseka pakamuka Innoe kuseni hanzi
“handingambosweri pano ungatotadza
kuverenga rega ndinoswera hangu kwana
sekuru Nigel. Dai pari pakati peweek
ndainoswera kubasa zvangu.” Kuzvipira
kubuda naeight ndakatoita kumhanya-
mhanya kuti akwanise kubuda adya. Pamba
apa paisarema zvapo ndakasara ndega
mufunge kana kumbotya. Ndakambowacha
nekuchinja set-up yemubedroom mangu
ndokuzotangana nawo mabook. Semunhu
aive agarisa zvakamboda kundinetsa
kutonzwa hope nhai asi ndakaramba
ndakashinga zvikange zvakuendeka. Miyedzo
haiperi veduwe akadzoka Innoe achiti
akawana sekuru nambuya vasiko haana
kukwanisa kuvabata pafoni dzaienda
kuvoicemail. Zvakabva zvatodhakwa
zvekuverenga paakauya kuzogara pedyo neni
apa achiziva kuti aisakwanisa kudzora maoko
ake kuti asandibata. Pamwe ndaimbobvutwa
zamu ombokwidza ruoko pabendekete kana
kuti akataura zvinyambo zvake ndikarega
kuseka aibva auya kuzondikisser. Chikudo
chacho chaive chakawandisa pane
pandakasumuka ndichida kutora mabook kuti
ndinoverenga panze ndipo pandakaisa tsoro
yese musango ipapo. Akasumuka akandibata
mudumbu zvinonyerekedza ndikatiza
akatevera. Ndakabuda mustudyroom
ndichimhanya kuenda kubedroom kwedu kuti
ndinozviikiira asi akasvika futi akandikurira
simba ndisati ndavhara door achibva apinda.
Ndiye akatozokiya ikave kikiri-kikiri muya
pedzisire munhu atotsvukira maziso.
Ndakatorwa ruoko akandibatisa zvikanzi
“inzwa hako zvawakonzeresa.”

Ini: ndiwe wandidenha ndisiye hako but


zvaunoita hazvisi fair ndoda kupedza
zvekuchikoro vana mama vasati vadzoka.

Innoe: (achinzwisa tsitsi) ukaramba kundirapa


babie vanotozokurumidza kudzoka kwaita
rufu kuno.

Iye akauya neyekuti murume haanyimwe


akatiparira ndaigodii kunze kwekutodzikamira
neni ndaiida ini aaa. Ndakadzikamira
achindibvisa hembe akandirarisa pabed
ndokubvisawo dzake. Akaita seakutevera
pabed ndikabata kumeso ndichitika
akutoenda pamusoro ndinzwe akaikaka
ndakudhonzwa akabata muchiuno akandisiya
ndave paedge pebed. Akapfugama
ndikasumudza musoro kuti zvimwe aive akuda
kuproposer rwepiri asi ndaive murima ndiye
aiziva kwaienda nyaya. Akavhura makumbo
angu ndikambomaomesa kunyara kuonekwa
chiweti asi akashandisa simba
paakangokwanisa kuvhura akabva aisa
musoro pakati. Ndichiti pamwe musoro
wakwana ndakanzwa nerurimi rwaveko
muviri ukadairira wese hapana pakasara
kuzununguka. Ndakayamwiwa zvinoita mhuru
zviya pamukaka waamai vayo ndikatanga
ndichifira mumoyo. Aiti akasveta patakanzi
ndidhonze namai Madondo odzika kunoisa
rurimi ikoko kwacho kunzira
yaakandidambura ndaibva ndasumudzira
chiuno mudenga. Akazonge akuita fast
ndikaerekana ndasumukira ndokutanga
kupuruzira musoro wake ndichimudeedza
“In…noooee-Innoe kani.” Akasumudza
musoro zvikanzi “babie saka uchatanga
kundideedza zvandinodawo rini? Zviri kunaka
here?” Haana kumirira mhinduro akadzokera
zvakare zvikandituma zvega ndikamudeedza
ini kuti “dad” nekuda kwekunakirwa.
Akandibvunza kaviri kese kuti ndaive ndati chii
ndikadzokorora hakusi kufara kwaakaita ikoko
akabva atouya kuzondikisser ndikabatiswa
kuzasi kwake achifambisa ruoko rwangu kuti
ndipuruzire. Zvekupuruzira ndaive
ndakungoitawo asi ndaitoda kuti apinde
ambondiponda zvaakaita mubathroom tiri
kuhoneymoon zviya. Akaita seainzwa
zvandaifunga akangozonditendeudza
ndikanobatiswa couch raive muroom medu
umu pakaitwa chibatabishi. Ndiwo musi
wandakaziva kuchemerera kwaingoimbiwa
nambuya mai Munya kuya zvakandituma
zvega iye achidzvova nekuside taigona kutoita
choir yedu yakanaka kwazvo. Takapedza tave
pabed haiwa hope dzakabva dzabata
pakarepo kuita sevanhu vakafa. Time
yatakamuka ndakasekwa naInnoe kuita
sendichachema akatozobhadhara
nekundigezesa akati aizonotenga chikafu
chekudya manheru ndisabika. Nguva yese
yataishinyidzana nekuzorarisana mama
vaititsvaka pafoni. Pangu paive nefifteen
missed calls nemessage yavaiti “ndatove
worried vanangu dai madaira ndangonzwa
kuti muri right here?” PaInnoe paive neover
twenty akabva ati “vanotya nekuda
kwemunhu akaisa nyaya yemuchato wedu
kunewspaper rega ndivafonere.” Kuzonyepa
Innoe achiti taive tabuda tikasiya mafoni
ndakamudenha ndikati “ndoda kuvaudza
zvawange uchiita uchinditadzisa kuita
zvechikoro.” Rudo runonaka kani ndini here
Purity ndakatomupa chionekedzo chekiss
paaive akubuda zvangu. Muzuva raitevera
akati taizoenda kunoona imba yataive tapiwa
namama nababa hamheno pamwe tainosiya
tanyangadza futi ikoko zveduka zvaingozviita
zvega.

End of chapter 22

Love you guys


CHAPTER 23
*Innocent*

Pakatanga vabereki vangu kuziva


nezvekudanana kwangu naPurity havana
kundiomesera vakangotambira nyaya
vakamhanya-mhanya kuti arapiwe sezvo
vakaziva tiri panguva yakaoma. Zvese
zvavaiudzwa nasekuru baba Farai
zvandaironga vaibvuma chavo kwaive kuda
kuziva zuva nenguva chete kuti vawane
kunditsigira. Handina kana zuva rimwe
randakatongeswa kana kugarirwa dare pasi
chero zvavo vaimbondipa mashoko maviri
matatu erairo emukuseka. Ndakazodeedzwa
nadad tadzoka kumusha uko kwatakaenda
Purity achinopinzwa mumusha. Vaive vatotipa
chipo chedu chepamuchato ndikashaya chero
mashoko ekuvatenda nawo nekuda
kwekupererwa. Vaya vanozoti “you are too
much” vachitendwa unenge uri mufaro
wakawandisa. Hazvirevi kuti nerimwe
remazuva ndaizotadza kutenga kana kuvaka
imba yakakura seyatakapiwa iyi asi unotarisa
value yechinhu wongonzi tora zvako. Sekuru
baba Farai vaive vandisimudzira chose
ndaitoda kuzoenda kuBulawayo kunotenda
nekuratidza rukudzo rwangu. Makuriro
andakaita ini paive pasina musiyano wekuti
ndaigara kwana sekuru nekuti zvese ndivo
vaiita. Kurera munhu hakusi kumupa chikafu,
zvekupfeka nezvekufuga chete asi izvozvi
zvavaiita sekuru zvekufamba up and down
vachironga nyaya dzangu zvaireva kuti ndaive
mumaoko avo. Dai taive nehama pedyo
pamwe nyaya dzangu dzaizofambirwa
nevanin’ina vadad, vana vemadzikoma kana
vana vana tete vanova hanzvadzi dzadad. Yes
vana mai Ashie vaivepo asi sevanhukadzi
vaingoitawo ravo basa rakareruka hapana
pavaizoenda nemombe zvatakaita nasekuru
baba Farai. Vese zvavo vakabatsira kuti
marriage yangu ibudirire ndaivatenda
nemoyo wese hapana pandaizokanganwa
vana sekuru vangu vadiki kotizve sekuru baba
Munya nambuya mai Munya.
Pandakadeedzwa nadad vese vanhu ivava
vakavataura vachiti vakabata basa rakakura
kwazvo kuti tirerukirwe. Vakazoti “yaaa basa
rakabatwa mwanangu takazviona uye
tinotenda asi zvese zvave mumaoko ako.
Hausisiri mwana mudiki iwe wekuti
tingatarisira kuti nerimwe remazuva
ungazovaraidzwa nenyika. Danho rawatora iri
rinoda ushingi nekuziva zvaunoda iwe
ukasangodaro chete tinonyara mumaraini
umu. Gore randaroora ini miyedzo yakauya
netruck kubasa wati tusikana itwotwo
twaimhanya-mhanya kumberi kwangu apa
kuzoita setwatumwa kuzotsvaka basa
nevarume. Variko vakadzi vasina matyira uye
vasingakoshesi miviri yavo havamirire
kupfimbiwa vanotanga ivo kutaura zverudo.
Hapana muyedzo usingakundike ukaona
uchiwira pazvinhu zvakuvinga wakasvinura
tongoti wange wagara uchizvida.
Ndakakubvunza patakaziva kuti
waifambidzana naMasiziba kuti wamuda here
uye muri kurongei ukati ndiye atora moyo
wangu saka ndokumbirawo Innoe
usazotinyadzise. Kutadza kurimo murudo
hapana imba inoita muchechetere chinodiwa
kuzvipira kubatana mogadzirisa
matambudziko enyu murunyararo. Yako
marriage haivakwe nemitemo yangu ini,
hatidi kuzonzwa wakuti mama vangu vange
vasingaendi kubasa saka newewo gara pano.
Ukadaro wavenganisa amai vako nemuroora
wavo nekuti achafunga kuti pamwe ndivo
vakufurira. Dad vangu vanodyira kubedroom
neniwo ndoda kuvigirwa chikafu ikoko kkk.
Iwe wangoona ndiro dzichiuya kubedroom
hauna kuziva chikonzero ko kana mai vako
vaona kuti ndiri busy palaptop nebasa iwe
hako wakati gada manhede pabed unongoti
nekuti ndakaroora saka mukadzi
ngaafondoke. Hauna kutsvaka musikana
webasa watsvaka rudo mwanangu kumwe
kutuma-tuma kunopedza rudo. Mukadzi
anobva aitwa semwana tora chakati, ndipe
chakati, enda kwakati iwe uri rashu zvako
sewakapedza nhamo dzese. Kozoti nyaya
hombe inondishungurudza ndeya dad vako
vahombe. Pachivanhu chedu ngozi haisi
yemunhu mumwe chete asi inobata dzinza
rese. Yes kufa kwamaiguru takaripa hama
dzavo asika hatizivi zvimwe zvichauya
zvichizobata vana nevazukuru vedu.
Tinoverenga kuti tine guva rechipfambi muno
mumusha zvakakonzerwa nemukoma wangu.
Haisi nyore kuungana vanhu vachichema
nhamo yekunzi mukadzi wako aurayiwa
negirlfriend. Kana waroora mukadzi wako
murudo ko girlfriend inozotsvakwa yei futi?
Ndakatomboshungurudzika pakarohwa
Masiziba paya ndikati asi mhepo dziya
dzasumuka here? Zvizive nevana vako
vanofanira kuzviziva kuti zvechipfambi zvine
makuva. Mukoma wangu akafa atambura
hapana zvatisina kuedza wakazviona iwe
ndichiedza kuvarapisa cancer yaivanetsa.
(Vakamboita kakuseka vakabvisa maspec
ndokupukuta maziso) kumwe kwataienda
vainonzi havana cancer pamachine
paingooneka kanhu katema. Kumwe vainzi
yapararira nemuviri wese haicharapike.
Vamwewo vaiti mauya nguva chaiyo tinoirapa
ikapera iyi vaibva vatoitiswa mainterview
ekuti agobatsira vamwe vairwara necancer
kuti vawane ushingi. Pavakazofa paive
padarika three days vandiudza kuti ndarota
maiguru vako vachiti ndakuregerera.

Ini: umm zvakaoma.

Dad: zvaunobata ndizvo zvinokuuraya hapana


anotamba nebanga agotadza kufawo
nebanga. Ukatambira kuchipfambi unowana
chirwere kana kuita izvozvi zvakaitwa
nemukoma wangu asi zvinorwadza maiguru
nemwana vakafira dzisiri dzavo. Ndiwo
mashoko andati nditaure newe semubereki
handisi kukutyisidzira ndataura zvakaitika
uchiona muno mumusha. Marriage
yakafanana neupenyu hwatinorarama hapana
paunoti zvese zvakanaka mazuva ose. Uri
mubusiness iwe mari yaunobata nhasi
haifanani neyaunobata mangwana pamwe
unotomboshaya macustomer zvachose asi
hazvirevi kuti wovharaka. Kushingirira
kwaunoita mubusiness ndikowo kunoda
marriage ukasadaro unovachinjanisa vakadzi
kusvika yatove game. Iwe unenge uchinakirwa
nazvo paunobvunzwa nemukadzi unenge
wakutoona seanonetsa. Ukada vakadzi
vakawanda ivawo nechokwadi chekuti
mukadzi wako unomubvumira kuita varume
vakawanda.

Ini: dad!!!

Dad: (vakaseka) wavhundukaka kureva kuti


shoko rangu warinzwa? I’m happy for you son
hauna kumbondinyadzisa kubva kukura kwako
kwese. Hauna kuve spoit sevamwe vana
ndaitokutyira kuti uri wega pamwe uchanetsa.

Ini: ndimi namom makandiratidza kuti mufaro


wenyu waibva pakuita zvakanaka hapana
pamaisekerera ndichiita misikanzwa.

Vakaseka tikange takutaura hedu


zvemashamwari avo airegerera vana pakukura
zvino vamwe vaive vatove mbavha chaidzo.
Nyaya dzekubasa kwavo dzaisanzwisisika ava
waigona kunzwa zvichinzi mukadzi kana vana
vakaba mari wotoshaya kuti access yacho
vanenge vaiwanepi. Ndakuda kubuda
vakandipa tsamba yavaiti vakapiwa namama
Felie kuti ndigopiwa. Mama vangu handina
kumbovaona nguva refu ipapa patakadzoka
kuhoneymoon takawana vatodzokera kuSA
kwavo. Ndakanoverengera kuroom kwangu
ndichiseka, ava vaitorwara chete saka Purity
ndiye aive akakosha shuwa kudarika ini
mwana wavo. Chandakafarira zvangu
ndechekuti pavanhu vese vaindipa mazano
vaitaura zvekuvaka zvega-zvega kureva kuti
vaida kuti marriage yedu isimbe.
Ndakamboedza kufonera sekuru Takue
ndichida kuti vaunze mapicture edu
nemavideo ese akaitwa before nepamuchato.
Vaisabatika ndakangozoisa message kuti
ndaizoenda kunovaona kumba kwavo kuitira
kuti ndiwane vakagadzirira.

Panguva iyi hatina dambudziko ratakasangana


naro taifara semhuri uye medu mubedroom
waive moto woga-woga. Takaendesa blanket
ramama Madondo hanzi ndiyo yaive sign
yekuti mwana wavo aive akazvichengeta saka
ndakatofara kwazvo message ichisvika
kwavari. Hazvina kutora nguva takasiya Purity
achimboona nekuonekana nevamwe tikaenda
kwasekuru Nigel. Kutonzwa kubhowekana
nekusara kwaakaita ndaive ndisisadi kugara
kure naye. Nekuomesa musoro kwaaiita paya
ari musikana achiramba kubatwa ruoko
chairwo ndaitofunga kuti aigona kuzochinja
moyo akuti “ndakuda kugara kuno kumba
kwedu” apa ndaive ndabudirira kumudzidzisa
zvandaida. Zvakawanda zvandaida pamunhu
zvake aive asati ave nenguva apinda mumba
ayewa ndaiona improvement. Zviripo zvaive
zvasara zvandaitoshuvira kuti ajaire asi
ndaishingirira ndichivimba kuti nerimwe
remazuva zvaizoita chete. Taive takugezaka
tese, nyaya taitaura kozoti pakurara taipinda
mumagumbeze takashama. Tiri munzira
kubva kumba kwavo hanzi “dai wanonoka
kuzonditora ndaiuya netsoka. Nhaiwe kana
kumboisa message wange uchinakirwa nei
hako?” Ndakaseka ndikati “ndange ndiri
mutown hangu ndakagara panofamba vanhu
vakawanda ndichiyeverwa nevakadzi vange
vachidarikapo.” Ndakarohwa nechekumusana
achibva aedzesera kusunda muromo kuda
kutsamwa ndikamubvuta zamu akaseka.
Ndaifara kumuona achifara nekuti ndizvo
zvandaizviudza kuti upenyu hwake
hwaisafanira kuve hwekugara achichema.
Paya patakaenda kuhoneymoon
ndakatombotsvaka information kugoogle kuti
pamwe ndingawane nzira yakareruka yekuti
asarwadziwe but unfortunately ndakashaya.
Aigaraka achichema nekuda kwemarwadzo
ndaibva ndanzwa kubaiwa pamoyo pangu.
Ipapa paaisekerera ndaitonzwa kuda kumisa
mota ndimbomukisser nekumuudza kuti
ndaive ndatomusuwa panguva diki-diki yaaive
asara kumba kwavo iyoyi. Kumba ndaiziva kuti
ndaitozomuona mumachira mama vaidawo
chose kuve naye taitobvutirana.
Akazombozembera pabendekete pangu
pataive tamira parobot mota dzaive
dzakawandisa zvikanzi “mama vari kuenda
kuVic-falls mangwana. Ndonzwa kurwadziwa
pese pandinofunga Paida dai angopona
zvakanaka hake.” Akabva andifungisa zvaive
zvaitika husiku hwaive hwadarika. Nyaya
yekurwadziwa nemudumbu yaaiita
yaindishungurudza akatoti akaudzawo vana
mama vake vakati hapana chavaiziva asi
vaifungidzira kuti pamwe kwaive
kungovhundukawo.
Kumba sezvandareva kwaive kusina mukana
wekuve naPurity so ndakangoisa mota
mugarage nekutoenda kubedroom kwedu
kunozorora. Iye akasvika achitobatirana
nevamwe kukitchen ndaingonzwa kuseka
kwamama ndivo vaive nevoice raienda
padenga. Pakanyanya kurwadza
pakuparadzana vana mai Ashie vaive
vakuenda zvachose vaitoti vaisave
nechokwadi kuti vaizokwirira ndege kuHarare
here kana kuBulawayo. Pakadai unobva
waona kuti mhuri ine vanhu vakawanda ndiyo
yakapfuma kudarika vaya vanoona sekuti kana
une mari une zvese. Varipo vana mai Ashie
taisaona kuti zuva radoka sei vanhu
vachiudzana nyaya nekuseka. Ipapa
dzaizobvepi nyaya dzacho dad taisavaverenga
ava basa ravo raingomuka zuva nezuva votoita
rwendo. Ini ndaizoenda kubasa hangu paweek
rataive takatarisana naro asi pakudzoka
ndaitodawo kuwana mumba makazara vanhu
nyaya dzichibva mativi ose. Paive pasina
zvekuita hazvo ndakavatenda nekuuya
kwavakaita kumuchato uye basa rese zvaro
ravakabata kubva mukundibatsira kwavakaita
kutsvaka hembe dzatakashandisa. Vaingoseka
zvavo zvikanzi namai Ashie “musareva sekuru
pachedu isu tikakuudzai zvakaitwa nemai iyi
yamunoona yesaka iyi munotipa kuchema.”
Vaiwanzirana namama mazuva mazhinji
nenyaya yesaka irori vachiti chii chakavapa
kunyima zvakadaro zvekutadza kuti
ribudikirewo pandiri. Ini ndairida zvangu
kunyanya vakaseka mama waibva waona
wega kuti ndosaka dad vasina kubvira vaita
chipfambi. Hatina kunyanya kutandara zvedu
takakurumidza kuenda kunorara nekuti vaida
kubuda kuchakasviba vachienda. Takasara
naPurity aingochema-chema nenyaya
yemabook apa ini ndainzwa kumukara chaiko.
Kutonzwawo kuti ndimbomuswerera masikati
ese ndichiona pamuchero werudo rwangu.
Chainetsa manje ndechekuti patakaronga
zvekuroorana nyaya yechikoro ndiyo
yatakatanga kutaura nezvayo ndikamuvimbisa
kuti ndaizomira naye kusvika adzidza zvaifadza
moyo wake. Dad namama vakataurawo neni
nezvenyaya iyi vachiti vaisada kuzonzwa noise
nenyaya yechikoro kana ndaisakwanisa
kumusupporter ndaifanira kumurega atange
apedza. Manje ini apa ndaive ndichiri
nedzungu nepakati pemakumbo kungonzwa
perfume yake chero ndisina kumuona
ndainzwa sendatobviswa hembe. Kwana
sekuru kwandakaenda ndichiti ndinofambisa
nguva ndakawana vasiko ndikamboda kupinda
mutown ndikatya miyedzo zvangu. Kuna
sekuru baba Munya kwaigona kuita asiwo
pamwe mbuya vaida kumbowana nguva
nemudhara wavo sezvo mama pari ipo
pavaive vabuda kuenda kuVic-falls.
Ndakambodzungaira apa nguva dzaisafamba
izvo zvakaita ndipedzisire ndadzokera kumba.
Ndaiti ndichakurira pakudzora rudo asi
ndakanotadza ini ikaswera yave noise
tichinakirana zvedu. Unoita seuchabvunza kuti
“pakaumbiwa vamwe kuzasi uku nedhaka
sezvatinonzwa mubible asi iwe wakaita
zvekubikwa hako vakawedzera tumaspice
netusalt.” Aiita seaiwedzera kunaka kwacho
aimi ndaizvidyira namambo zvangu.
Vana mama havana kukwanisa kudzoka musi
weSunday sekuvimbisa kwavakaita vakatiudza
pataive munzira kuenda kunoona imba yedu
yekuBrooke. Taive tapedzisira kutaura navo
time yandakavafonera after ndaona
mamissed call avo akawanda pamafoni edu.
Ndakavaudza kuti taive munzira kuenda
kuBrooke vakangoti “okay” hapana
zvakawanda zvavakataura. Vaitoti vaive
kumba kwemurume waRhoda ndivo
vakazonobatsirana naye kuita zvakanoitwa
naPurity kumusha zviya. KuBrooke kwaive
kuchangobuda vanhu vaimbogarako
vachilodger saka kwaisave netsvina
yakanyanya uye panze paitove negarden
rakanaka. KuCottage kwaigara vakomana
vaviri vesame company yaichengetedza
kwataigara nevabereki vangu. Ayawo aive
mabenefits adad vaiita zvekutsvakirwa
security yaibhadhara negovernment. Ese
maproperties avo aichengetwa nesame
security company kuitira kana pane zvashota
kana kupindirwa nematsotsi vaikwanisa
kutracer nekuti kucompany yaitogara
nematracker avo. Purity haana
zvaakambotaura pamusoro peimba iyi kubva
zvatakasvika aingotevera mumashure
pandakatenderera naye ndichimuratidza
marooms. Pane room hombe yaive upstairs
yandakamuti “ndiyo ichave bedroom reduka
iyi” akangoti “okay.” Ndaifunga kuti achatanga
kunyora pasi zvaidiwa zvakaitwa semafitted
wardrobe uye kuchinja paint yemukati.
Kunyarara kwake kwakaita kuti tikurumidze
kudzokera kumba aiita seaive nezvaaifunga.
Ndakanomusiya kumba akuita zvemabook ake
ndikaenda kwana sekuru baba two.
Pandakanovashaya muzuva raive radarika
vakati vaive vaenda kuBelvedere ini kana
kumbozvifunga hangu asi zvakandibatsira
handiti ndakatozodzokera ndikano.. umm
zvaisataurika kana kufunga pamwe ndaigona
kungonzwa ndanyorova.

Vana mama vakadzoka sekuvimbisa


kwavakaita hapana nyaya dzakawanda
dzatakanzwa muchato wacho waingove
wemuchurch. Ivo vana Rhoda vakabatana
nana mai Ashie vakanokwirira kuBulawayo
ndokuzofona vachitizivisa kuti vaive vasvika
zvakanaka. Isu takasara zvakanaka zvedu
chero mazuva ekutanga zvaimborema asi
takaenda tichijaira kugara pamba pedu tiri
five takadaro sezvo mother vaitibatsira basa
vaive vadzoka. Hazvina kutora nguva kuti
vajairane naPurity aivadeedza kuti tete.
Namama vaiswera vese aive azovajaira
dzimwe nguva vaindiendera kuside rimwe
vachindiwanzira. Vaive vazviwanira shamwari
yepamoyo mai Innoe ndaigara ndichitendwa
zuva nezuva. Purity aive akudzokedzana
muviri wake zvandakatanga kumuona akaita
asati aondeswa nestress dzemuchato. Panewo
zvakati wandei zvaichinja paari zvakaita
sechikafu akangotanga kuti aisafarira tea
achiti sezvo aienda kuchikoro aive agara
asingawani time yekunwa saka zvakatobva
zvabuda maari. Mvura yekunwa aiti aida
inodziya pese paainwa inotonhora aiita
munhikwi otopedzisira adzosa mvura yacho.
Juice aida orange crush rinosanganiswa
nemvura yepatap aigona kutomuka husiku
chaiko odira glass rakazara onwa. Mama
vakati “ndosaka wainzwa mudumbu Masiziba
waidei wakangoenderera mberi nekudya
zvaunofarira kwete kunyara maziso evanhu.”
Zvechokwadiwo kubva paakatanga kudya
chikafu chake chaaida hatina kumbozoita
dambudziko rekunzi mudumbu marwadza.
Paevery meal yake aida kasalad paside
vachirumbidzana namama nekupanana
mumaoko vachinzi “imbonzwai mama yanhasi
iri kunaka huyai tidye tese.” Chandakaona
hangu ndechekuti pese patainge tiri pamba
namama aisununguka Purity asi paisvika dad
chero ange achidya aitosumuka oti aguta.
Iniwo zvaive zvakundinetsa hangu nekuti dad
nguva zhinji vaive vakutogara kubedroom
kwavo. Pakudya futi vaivigirwa chikafu vosiiwa
ikoko namama nekuti uyu aitoda kuti vadye
pamwe vakagarisana sematwins. Mama
vakazodarika nekubasa kwangu rimwe zuva
ipapo taive tasarirwa nemazuva maviri
tisingavarengi weekend kuti Purity achitanga
kuenda kuchikoro. Ndaitofunga kuti vaive
vese namama sezvo kubva zvaakauya kumba
hatina kumboenda tese aingopa zvikonzero
zvekuti zvaisaita kuti anyanye kufamba
aidawo kuswera pamba ajaire asati adzokera
kuchikoro. Ukaona munhu mukuru ozvipira
kubuda pachena anenge aita nguva refu
achishunguridzika mumoyo achishaya kuti
owana sei way isingatsamwisi yekubvunza
nayo. Mama vakatanga nekuti “ndakura
manje vanangu ndongonzwa kufara ende
mufaro wachoka ungati watondiwedzera
makore ekurarama akawanda.”

Ini: (ndakaseka) ndimi moga makagonerwa


namwari isu vamwe takungochema
hatichadiwe zvedu attention yese yave kuna
Purity.

Mama: unodaidzawo mukadzi nemutupo


kana uchitaura nesu kkkk. Zvinofadza izvi rega
ndizvifarire ndichiri mupenyu ndiani akati
situation yese inopera sematangiro ayakaita?

Ini: muchirevei mama?

Mama: ndakachema nguva refu ….


Ini: woo-woo-woo mamaka mukaramba
muchifunga zvakadarika muchatozozvirwarisa.

Ndakambosimuka ndichivatorera zvekunwa


mufridge vakatanga kurumbidza pabasa
pangu nekungobvunza-bvunzawo zvavaida
kuziva. Pandaive ndakuda kufonera mbuya
mai Samson kuti vavaunzire chikafu
vakaramba vachiti vaizonodya kumba vaitove
pakumhanya. Nyaya yavakauya nayo kubasa
kwangu inenge yaivaremera zvakavatorera
nguva kuti vataure vaingotenderera.
Vakatanga nekuti “mbuya mai Farai pamwe
ndowana vasvika kumba.” Ndaisaziva ini kuti
vaiuya kuHarare mugoona ndaitoti kana
ndabva kubasa ndichadarika nekwambuya
mai two ndichitaura navo kuti kana zvichibvira
tibatane paweekend kuenda kuBulawayo.
Week yataibata ndiyo yaizotanga Purity
kuenda kuchikoro pamwe taizoshaya nguva
yekuenda kunovaona. Iye aive atombotaura
nezvazvo paakapedza maassignments ake
achiti aive ave ready.

Ini: varikuuya vese nasekuru here?

Mama: aa kwete vari kuuya vega


ndaitovatarisira last week asi
vakazokundikana vachiti Natie aive akabatwa
neflue. Pandapinda mutown vabva
vanditumira message vachiti vari munzira
ndizvo zvazoita kuti ndiuye nekuno kubasa
kwako.

Ini: kkk mamaka mandisetsa saka mauya


kuzondiudza kuti mbuya mai Farai vari kuuya
asi ndine mhosva yandakapara here? Madii
kungofona henyu kuno mozouya rimwe zuva
muri kutoonekwa kuti muri pahurry maramba
kuratidzwa kuseri kwese uko saka tingati
maonei ipapa?

Mama: ndichauya Innoe handiti wagara


wakati uchaita mutambo wekuvhura pano
here usatye zvako. Eee nyaya iri pano
ndeyekuti mbuya ndakavadaidza kuti
vazopfuudza basa ndaingoverengera sekuti
neniwo moyo wangu haudi asi
kutomanikidzira kuti ndingaramba
ndakakusungai kusvika kupi? Mudzimai wese
kana aroorwa anoda kuve mumba make
maanoronga zvaanoda nenguva yaanoda.
Ndotorwadziwa ndichiona Masiziba ati kwati
mucorner kana kutosimuka kusiya chikafu
pese panosvika baba. Ivowo vakunetseka kuti
ndakusungirira mwana saka ndange ndati
mbuya mai Farai nambuya mai two vauye
vazokuperekedzai kumba kwenyu kuBrooke.

Ndakaramba ndakavatarisa vakaseka-seka


vachikwizanisa maoko. Zvekugara tega
ndakambozvifunga tiri kuhoneymoon but
patakadzoka ndakaona kuve kwedu pamwe
sekwaiita kuti mama naPurity vawedzere
hushamwari hwavo. Panyaya yadad yes vaive
right nyaya chaidzo aisataura varipo asi ini
ndakangozvitora sekuti pamwe semunhu
akakura asina baba muupenyu hwake
zvaimuremera. Ndakangonzwa moyo wangu
uchindirambira kupindura zvenyaya iyi
ndikavati “nhasi hatisi busy zvakanyanya
togona kuenda tese kumba.” Takasimuka
ipapo ndikadarika ndichirairira musikana
wepareception kuti kana pane aizouya
achinditsvaka vaindifonera panumber dzangu.
Takanopinda mumota dzedu ndokuteverana
takananga kumba hatina kumbomira mutown.
Mama ndivo vaive mberi so pavakasvika
pagate vakamira ndikafunga kuti pamwe vaive
vabuda vasina remote yegate. Ndakamirawo
vakabuditsa musoro nepawindow ndokuti
“chiiko icho chiri mulawn vakomana ava
vanoreva kuti vatadza kuona chinhu
chakakura kudaro here?” Kunze kwegate
kwaive kwakadyarwa lawn nemaruva
zvaidiridzirwa zvichinzwa mvura paitogara
pari green inoyevedza. Makuriro echinhu
chacho ndakangofunga kuti pane aive akanda
cardbox. Hatina kuburuka vakavhura gate
tikapinda tichitarisira kuwana mota yambuya
mai Farai iripo asi hatina kuiona. Mama
vakambodeedza mukomana aiita zvegarden
vachimuti anotarisa chaive kulawn panze
ndakabva ndatofambisa kupinda mumba
ndikananga kuroom kwedu. Ndakawana
Purity asiko ndikadzoka ndichisangana
namama vachitopinda vakabata maplastic
ezvinhu zvavaive vatenga. Vakatomboseka
vachiti “watizaka kutakura maplastic ezvinhu
zvedu naMasiziba iwe mwana iwe uchaita
godo ugopedzisira wakuroya.” Ini
ndaitotengawo zvekuti adye Purity asi kazhinji
waiwana vakazvigarira namama vachidya
vese. Zvisinei hazvo dad vakanzwa mavoice
edu vakadzika kubva kubedroom hatina kunge
taziva kuti vaive vatodzoka kubasa kwavo.
Takasweresana mama vakabvunza aunt kuti
Purity aivepi vakambotarisa-tarisa pasi
sevainyara kutaura.

Dad: Masiziba abuda time dzandasvika haana


kuzodzoka here ko madii kutarisa kuroom
kwenyu nhai Innoe?

Ndakavaudza kuti aive asiko ndichinomira


pawindow kutarisa kuti zvimwe aive kuseri
hake achiita rimwewo basa.

Aunt: vabuda maiguru ndikavaona vakagara


pedyo nekugate uko asi kudzoka kwavo
handina kukuona.

Dad: ini handina kuona kuti afamba sei nekuti


asumuka pandange ndakudya apa
ndikatotakura ndiro dzangu ndichiti pamwe
ndakubatirira vana havazowani nyaya
ndirimo.

Takanzwa knock padoor mama vakadaira kuti


aiknocker apinde taifunga kuti vana mbuya
vaive vasvika. Aive mukomana aibva
kunotarisa kulawn akadeedzera hanzi
“ndigules vamaona kunze uko ndatya kusvika
pedyo navo ini.” Takasumuka tese ndokubuda
ko aigotyei nhai kungoti mukomana uyu
aisanyatsonzwisisika dzimwe nyaya dzaaitaura
waigona kuti pamwe anomborasika njere
zvishoma. Tichinosvika pagate mbuya mai
Farai nambuya mai two takavaona vari
nechekure zvishoma mama vakasara
vakavamirira ini ndaive ndisisina kugadzikana.
Nemapisiro aiita zuva musi uyu zvaitonzwisa
tsitsi munhu akarara pachena-chena
pakadaro. Paaive painhuhwa neniwo
ndakambotya kumubata kusvika
pandakazoona dumbu rake richisumukira
nekudzikira kuratidza kuti aifema. Chigubhu
chemazoe chaive paside chisina kuvharwa
rimwe juice rakatodeukira pasi. Mama
vakauya nana mbuya vakati “ko
chakapfutsirwa apo nemavhu chii?” Vakatora
chitanda ndokuvhura wanei aive marutsi
ndiwo ainhuhwa. Vakamuzunungusa kuti
amuke akavhunduka zvakaita kuti tese tiseke.
Kutosimuka achida kutiza akabva abatwa
nambuya mai two. Havana kumboita nguva
refu vakamuregedza akurutsa futi yellow
yoga-yoga kuzadza pasi. Akasara arukutika
zvikanzi “mama mudumbu mangu kubva
kuseni muri kurwadza.”

Mama: ko waregerei kutaura?


Purity: ndange ndichiti muchanyarara ndatya
kukunetsai uye ndiri kupindwa nechando.

Zvese zvataive taunganira takatsveta kuside


mama vakamhanya kunozivisa dad kuti Purity
airwara ini ndichitobudisa mota mugate
yekuti timuendese kuchipatara. Haanak
kumboenda kunogeza ndaiona setaive
taregerera urwere huchikura nekuti
mudumbu umu akatanga kutaura nezvamo tiri
kuhoneymoon honai pazvaive zvazosvika.

End of chapter 23

Love you guys


CHAPTER 24
*Purity*

Pakataurwa nyaya yekuenda kuBrooke


naInnoe handina kuzvigashira zvakanaka ini.
Zvaiita sekuti ndaidisa zvinhu yes taive tapiwa
hedu imba nevabereki sechipo asi patakaenda
kumusha ndaiita zvekusumiwa nekuratidzwa
nzvimbo. Patakauya zvakare kutown
ndakaratidzwa imba mukati nekunze nana
mai Ashie. Zvino apa vana mama vakanga
vabuda kuenda kumuchato dai Innoe
akavazivisawo kuti ndizvo zvatichaita zvaive
nani. Ndaisada kuita zvinhu zvinondibvisa
pakuve mwana akarairwa. Kurambira Innoe
futi kwaisaita rairo zhinji dzaiti murume
anoteererwa. Yaa yaive imba hombe yakanaka
hapana chaishoreka pairi. Musiyano waivepo
neyataigara yana mama ndeyekuti munhu
aiita zvegarden aikurirwa namukoma
vainyatsokwenenzvera zvekuti lawn yaiita
seyekuisira. Kumba kwana mama kwaive
nemaroom akawandisa aive asingagari vanhu
kureva kuti imba yaive yakakurisa manje
chindiudzai kuti kana taizobuda isu vaisara
vachidii uye isuwo tainoikwanisa here imba
yakakura kudaro tega. Innoe aitoonekwa kuti
aida zvekuzogara kuBrooke nekuti
akatosarudza bedroom, haiwawo aikuuya ega
ndaitozodzidzira kumurambira chaiko.
Kuparadzaniswa namama Mapanzure
kwaireva kuti ndaizogara ndisina zvakawanda
zvandinoziva pamusoro pavo. Mbuya mai
Munya vakati “munhu anogona kukupakurira
nhoroondo yemufamily mekwaMapanzure
ndivamwene vako. Ungaona sezvisina basa
now muchiri vadiki kudai asi pauchazonge
wakura, wayarutsa kana kuti wave nevazukuru
nhoroondo iyoyo inoshanda.” Takadzokera
kumba hedu hapana zvakambozotaurika
nezveBrooke chero pakadzoka vana mama
kubva kumuchato. Vana Rhoda nana mai
Ashie takataura pafoni vachioneka
tikavashuvira kuti vave nerwendo rwakajeka.
Vakazofona zvakare vachiti vaive vasvika
zvakanaka ndangariro ndidzo dzaive dzasara
kuZimbabwe vachirangarira nguva yakanaka
yatakave pamwe chete. Mukugara kwandaiita
namama Mapanzure ndakaona musiyano
wakakura pakati pavo namama vangu. Handisi
kuti mama Madondo was a bad mother but
I’m talking about what I experienced in-terms
of character nekuve open. Taiswera kazhinji
tiri vaviri Innoe aienda kubasa baba ndizvozvo
zvakare nzendo dzavo dzaisapera. Mama
vakandidzidzisa husmart waiti ukavaona vari
pamba waifunga kuti zvimwe varikuda kubuda
kuenda kutown. Tiri kutaura munhu ane
muviri muhombe apa but vaive vakagwinya
vasina zvekuti iri basa rinoitwa nemushandi
vaibatsira nepese pavaigona napo. Ini mama
vangu ndaiziva kuti kana vari pamba kazhinji
vaipfeka mat-shirts ekubasa tomboti sezvo
vaive vasina havo murume pamwe vaiti
vangachenera ani. Mama Mapanzure vaipfeka
type yese yehembe mashorts iwaya, trousers,
skirts nemadress acho. Vaiti vapfeka zvavo
short vachikanyaira payard waiyeverwa kani
and vaive munhu anogara achiseka zvinova
zvakaita kuti ndinzwe moyo wangu nemweya
wangu zvichiswedera pavari. Ndaiitawo
maduty angu semuroora kubva zvavakadzoka
kumuchato ndini ndaibika kubva kubreakfast
kusvika kusupper pandinenge ndisingazive
ndakatanga ndichibvunza aunt asi mama
vakandipa freedom yekuti ndivabvunze
vagondibetsera. Izvi zvakaita kuti nguva zhinji
tiyipedze tiri mukitchen wainzwa voti
“vakomana ava nhasi vanodya
vakazvimbirwa.” Ndaiseka ini ipapa
kwairehwa baba naInnoe ndifunge nebody
yaive nababa veduwe zvaindinakidza.
Ndakadiscover zvakare kuti chimwe chikafu
chaive chakundirova moyo ini tichibika. Tea
ine mukaka yainhuhwa ndakatomboedza
fresh milk ndichiti pamwe powder
yaikanganiswa kugadzirwa ndikanzwa
zvakafanana. Chingwa chine magarine
chakandiramba ndaitodya zviri nani kana
chine dovi asi ichi chedovi ndaichida
ndichidzikisira nemvura isina chinhu.
Madrinks paitengwa type netype kunze
kwemazoe netumwe tumacrush twefake tuya
asi pazvese izvozvo hapana zvakapindirana
neni. Taitoti tichidya zviya vamwe
vachidzikisira nemadrink ini ndainwa mvura
yepatap kwete inotonhora yemufridge
ndaipindwa nechando ndobatwa zvakare
nemunhikwi. Masekero ababa akangotanga
kundibhowa ini apa vaifarira kundimhoresa
vachiti mai vangu. Mazuva ekutanga yes
ndainzwa kusununguka ko zvaingove
nekachiremerera veduwe kunzi amai
navaMapanzure of all people. Hamheno kuda
ndezvekuti ndaive ndakuvaonera pedyo
ndakatomboedza kudzora kuvavenga kwacho
but the more yandaiedza the more
yazvaindikurira. Ndaitonzwa kuremerwa kuve
musame room navo ini asi dai vaigona kugara
vakanyarara vasingatauri kana kuseka pamwe
zvaiita nani. Vakaseka kudai voice ravo
raindipinda munzeve ronouraya macells ese
zvawo. Face yavo aimi ndaisada kutariswa
navo ini regai ndingoti vaindibhowa hangu.
Chimwezve chaindibhowa pavari ndechekuti
vaida kugara pedyo namama vari pacouch
ndaibva ndaona sevaindibira mai vangu.
NaInnoe hapana chakachinja ndaimuda
zvakanyanya asiwo zvekuti kana anonoka
kubva kubasa ndingamutsvaka zvaisave
mandiri. Aimborega kufona masikati
achitarisira kuti pamwe ndingatumira
message haiwa ndaitozvinzwira nungo asi
mama vaiti vakangobuda nguva diki-diki
ndainzwa kusundwa kuti ndibvunze kuti
vakudzoka here. Pataiswera namama pamba
kana baba vasipo ndaingozonzwa ndabvunza
kuti baba vaendepi kusavepo kwavo futi
ndainzwa sekuti pamwe vachasangana
nematambudziko vakatadza kudzoka.
Ndofunga zvaikonzerwa nekuti ndaive
ndavagashira sababa vandakakura ndisina
saka kuti vasangane nedambudziko vagonzi
vafa iii zvaigona kundiaffecter zvakadzika.
KwaMadondo handina kumbodzokerako
kubva zvatakaendesa jira ramama tabva
kuhoneymoon. Ndakapedzisira mama vaenda
kuVic-fall havana kunogarisa pavakadzoka
vakanoonekwa namama Mapanzure. Vaida
kuswerako mama Mapanzure asi vakazodzoka
ndakuvanyangadza nefoni ndichibvunza kuti
vaizouya nguvai. Chandaida zvakanyanya
kwavari ndechekuti pese pavaibuda vaidzoka
vanditengera tumanice-nice. Juice rangu
randaidisa irori ndivo vainditengera pese
pavaiona rasara shoma. Mukana wekubuda
kupinda mutown kwandiri waive mushoma
uye pese paimutswa mota dzichida kubuda
ndainzwa kunhuhwirwa nefuel ndaitonamata
kuti zvipere ndisati ndakuenda kuchikoro.
Ndakambofunga kuti pamwe mota
dzekwaMapanzure dzaishandisa fuel yadzo
dzega isina kufanana nedzevamwe.
Kuroorwa kwaive kwandibvuma hangu
ndainyatsonzwa kuti ndiri kusimba. Mazamu
aya ndofunga kana uchisimba naiwo
anokurawo apa aivavirira wena pese
pandaibatwa maInnoe ndaimuti asarega.
Madiro andaive ndakuita zvemubedroom
aindiseka Innoe nekuti pane pamwe
paaidzoka kubasa akaneta ndaibva
ndamubata ipo chaipo kusvika pasimuka.
Taive neadvantage yekukura kweimba
tainyatsonakirana tichiudzana mashoko erudo
pasina kutya kuti tingazonzwikwa.
Ndakazomboseka zvangu umwe musi Innoe
kundiedza nhai hanzi “ndakaneta kana uchida
unotouya iwe pamusoro.” Ndaive ndisati
ndambozviita asi mbuya mai Munya
vakandidzidzisa zvese chaive chasara kuita
practical yacho. Ndakadzidzira nekutogona
uye zvinhu zviya zvino zviita zvega
zvichibatsirana nekunzwa kunakirwa. Ndaiti
kukotama ndiko kunoendesa mberi asi iyi
yaiita manje ndaibva ndanonzwa
kunyerekedzwa mukati. Akapedza Innoe ini
ndichirikuda ndikaramba ndichiita akasvika
pakuchema-chema kuti aive akurwadziwa.
Akatosvuuka akatadza kumuka achienda
kubasa ndokunyepa kuna mama kuti kwaive
kusina basa. Ndiye aive andidzidzisa
kuhoneymoon achinakirwa nekutadza
kufamba kwandaiita saka ndaitonakirwa
zvangu pese paaive akutya bedroom. Aiti
zvaizopera nekudzokera kuchikoro kwandaive
ndatarisana nako nekuti ndaizouya ndaneta
uye maassignments aizondikonzera kuti
ndinonoke kurara. Kuchikoro kwacho
ndainokwanisa kuswerako here ndisina
mama? Ivo vaitoda kuti ndiende kuchikoro
ndakaona hangu vachimhanya-mhanya
kundigadzirira nekubvunza zvimwe zvaidiwa
vachitenga.
Friday yaizove yekupedzisira ndisati
ndadzokera kuchikoro ndakamuka ndichinzwa
kuneta handina kana basa randakaita ndaiti
chandabata chese ndonzwa kuremerwa
ndotosiya. Baba vakabuda kuseni
vakandiwana ndakagara pedyo nepamusiwo
pairova zuva handina kuziva kuti mama vaive
mumashure vachivaperekedza kumota.
Vakaita zvavo zvemazuvaose kuti pavaitanga
kundiona vaisamirira kuti ndivaone
ndigovakwazisa. Vakaseka ndikabata nzeve
dzangu zvikanzi “mamukasei mai vangu?”
Ndakadavida ndichida kupfugama
vakandirambidza.

Baba: musazodzokera kuchikoro mai vangu


musina kunoona mama.

Ini: handiendiko ini.

Handizivi kuti akabuda sei mashoko aya


mumuromo mangu veduwe ndaisave mwana
akanyenama ini kukura kwangu kwese. Mama
vakashamisika vakaseka-seka ndokuti kuna
baba “tikawana time mangwana
ndomuperekedza.” Pavakadzika masteps
vachinopota kuseri ndakaminyura miromo
kufarira kuti baba vaive vabuda. Mama
vaionekwa kuti hapana kwavaienda nekuti
vaive vachakapfeka nhumbi dzekurarisa. Mota
yababa yakabuda mama vakadzoka vakasvika
vachigara pandaive vachionekwa kuti pane
zvavaida kutaura asi zvakavaremera.
Vakanogara mubedroom mavo zvavaive vasati
vakamboita kubva zvandakauya pamba apa.
Vakazobuda aunt vapedza kugadzira breakfast
iyo yandisina kudya nekuti ndakanoona mazai
ndisati ndagara pasi ndikatodarikira kuenda
kuroom kwangu. Mama hapana zvavakataura
kana kunditi dzoka tidye ndakatozonzwa
naaunt kuti vaive vapinda mutown time
yandakamuka ndichiti nditsvake zvimwe
zvekudya. Mama vaigara vakagadzira chikafu
chababa vaisada kuti kana vasvika
vombomirira kuti vabikirwe vaiti “murume
anofanira kusvika mumba make achiwana
zvese zvakakwana ukamirira kutumwa unobva
waona sewave kunetswa.” Zvimwe tingataura
zvedu mukitchen namama Mapanzure
mainakidza ndakatotanga kunzwa kufarira
kubika ipapa ndave kumba kwavo nekuti
vaiita kuti zvingove fun. Ndakanotarisa
mandiro ababa ndikaona kuti aive akatoiswa
mukitchen unit kureva kuti paive pasina
chikafu chavo. Vainyanya kufarira sadza
nenyama yakagochwa ko zvaimbonetsa here
mama vaive nezvese zvekushandisa. Iniwo
zvimwe zvandakawana pamuchato
ndakangoisa mukitchen imomo taishandisa
pamwe zvichitotirerukira. Ndakamhanya-
mhanya kubikira baba ndichitonzwa moyo
kurwadza kuti ko vakasvika ndisati ndapedza
vaizodiiko semunhu aive abuda kuseni.
Munamato wangu wakanzwikwa ndikapedza
nekurongedza zvese muwarmer yaishanda
nemagetsi yekuti yaimantainer heat yaunenge
uchida chako kwaive kusetter temperature
chete. Pakarepo aunt vakauya kudining
vachibva kuroom kwavo. Ava vaishanda
zvakanaka vaitokurudzirwa kuzorora masikati
kwete imwe misha yekuti maid akangogara
pasi otonzi pay yakutapudzwa. Vaive munhu
mukuru asi vaive neruremekedzo ndakatoona
kuti munhu uya aida basa rake nemoyo wese.
Kubva zvandakasvika pamba apa havana
kumboita kazeve-zeve kekuda kutaura zvisinei
navo taingokwazisana kuseni nemanheru
kana paine basa ratinenge tichiita ndipo
paibva nyaya ipapo. Taive tasangana vanhu
vasingadi zvechinyeyo kana kutsvaka
background information kazhinji ukaona
anoda kuziva kwaunenge uchibva anenge
achida kuzoshandisa information iyoyo
kukudestroyer. Panguva iyi vaiti vaive
vamutswa nekunzwa madzikirira, kubva
zvavakadzoka kubva kuoff pakaitwa muchato
wedu vaiti vairara vachivhunduka vachiita
sevaive kumba kwavo. Vaitoti vaizokumbira
mukoma vaiita zveyard kuti Saturday
vasanorara kuchurch kuitira kuti vagoenda
vese musi weSunday. Pakarepo baba
vakasvika ndokuti “gogoi vana mai vepano”
izvo vaizviita nguva dzose kana vakuda kusvika
pamusiwo vachiitira kuti muzive kuti vauya
mongoziva magariro evanhukadzi kana
vakavarairwa vanomborasika. Ini hangu
kazhinji ndaiti ndikanzwa vadaro ndotosimuka
ndonogara pekuti vakwanise kupinda mumba
zvakasununguka. Vakaita zvavo zvekusekerera
tichivakwazisa ndikanzwa sendaive ndatukwa
zvaibhowa henyu. Chikafu vakatorerwa
naaunt ini ndikanhonga chigubhu changu
chemazoe ndokubuda. Ndaive ndatoona
magariro avo kuti vaida kudyira umu
ndaizotarisepi ini? Ndaisazviitisa asi
zvaingouya zvega ndisingatodi pamwe pacho
ndaitoedza kuzvidzora ndokurirwa. Mistake
yandakaita ndabuda mumba ndeye kunwa
mazoe akawanda ndisina kuwedzera mvura
nekuti aitonzwikwa kuti aive asina
kusanganiswa zvakaringana. Akanondisvota
ndikanzwa kuda kurutsa ndikakwanisa
kudzoreredza nekufemedza maoko angu
andaive ndabata hapwa. Takangokura
tichizviita zvekuti ukanzwa kuda kurutsa
ukafemedza mweya wemuhapwa zvinopera.
Kadzungu kakandibata ndikakotama
ndokubata mabvi kwekanguvana kusvika
ndakunzwa zviri nani ndikafamba ndichida
kunogara pamaslab yekugate. Ndakafunga
kuti mama vaive vabuda pamwe
vaizondiwana ndakagarapo voti ndaiitei
ndakabva ndatobuda gate panguva iyi raive
risati ravharwa. Ndakabatwa zvakare
nedzungu kutoona rima ndikafambisa
ndisingaoni chandakaita kuteerera paitsika
makumbo palawn ndizvo zvakandiratidza kuti
ndaisave muroad. Madonhero andakaita
akandishamisa ndakangonzwa ndapfugama
nemabvi kurutsa kukauya nesimba. Muviri
wakachinja nenguva diki-diki ndikapindwa
nechando chaJune masikati aive akajeka zuva
raitopisira kudana mvura. Zvekupindwa
nechando ndaive ndamuka hangu
ndichizvinzwa but zvaisave zviya zvekuti
ungatoudza vanhu kuti ndarwara. Taive
tatobata May maearly days ake so kazhinji
weather yaichinja yakugadzirira kugashira
kutonhora. Zvandakanzwa apa
zvakandivhundutsa tsoka dzangu dzakatanga
kubatwa nechiveve apa marwadziro
achakandiita nekuda kwekupfugama
kwandaive ndakaita ndichirutsa ndakashaya
kuti ndoscreamer sei. Ndaive pedyo neruva so
ndakazvishingisa kutora mavhu muzasi maro
ndikakupira-kupira pamarutsi kuti asasare
pachena. Mudumbu makabaya rimwe bayo
rakandivhundutsa richidhonza guvhu iri ndiro
rakanyatsondipedza simba rese
ndikazvambarara nedumbu.
Ndakatombobvurukuta nemarwadzo asi
zvakazoenda zvichiita nani ukuwo kazuva
kaindirova kaibatsira kurwisana nechando
ndakabva ndatobatwa nehope.
Ndakashamisika ndakumutswa namama asi
pane pandakambonzwa sepaive nemunhu
akandidaidza ndiri kuhope kuda ndairota
hangu. Pandakasumudza musoro ndakaona
mbuya mai Farai nambuya mai two avo
vakandibata ndikanzwa perfume yavo
yakanondirova pamoyo ndikatanga kurutsa
zvakare. Ndairutsa zvainhuhwa kuvharira uye
zvaivava kudarika stamita yatakambonwiswa
namama Madondo patakambobatwa
nemalaria. Ungati kurara kwandaive ndakaita
kwaitoita kuti ndinzwe kudziirwa izvi
zvekumuka zvakaita ndinzwe sepaive
pakufamba mhepo yakafreezer. Ndakabvunda
chaiko ndipo pakamhanya-mhanya vanhu
vakuti ndigadzirire kuenda kuchipatara. Innoe
ndaive ndisina kumbomuona nhai
ndakatozoona kuti aivepo pandaive
ndakupinda mumota mama vakamuti aende
kunonditorera bhutsu agotevera neimwe
mota. Takaenda tiri four ndakabatwa
nambuya mai two pamakumbo avo
ndokundifukidza zambia ravo. Ndaingobvunda
ini mama vakatozorairira Innoe tisina kure
kwatasvika kuti andivigire juzi. Zambia riya
rakasvika risisatarisike nemarutsi futi.
Pakunoburuka mumota mama vakati “une
madonhwe eropa pahembe Masiziba.”
Ndakavhunduka kuti ndaive ndaenda
kumwedzi here moziva kubva zvandakaenda
kwaMapanzure handina kunge ndaona
mazuva angu ini. Hazvina kumbopinda
mupfungwa dzangu pese apa asi chandaiziva
ndechekuti ndakazochata ndatova netwo
weeks ndabva kumwedzi.
Kumaprivate hospital vairema vana mama
vaitozivikanwa saka pasina nguva ndaive
ndakutosundwa pastretcher bed
ndakasungirirwa kuti ndisamuke. Zvainyadzisa
izvi kusimudza vanhu kuenda kuchipatara
kufambira kunorapwa kuenda kumwedzi zvino
baba vaizovaudza kuti chii. Ini ndaitoti
zvandairutsa zvinovava pamwe malaria hayo
yaida kundibata. Kungofunga izvozvo chete
kwandakaita nyadzi dzakawedzera ndikatanga
kuchema zvino vandaive navo vaisada kuona
misodzi vanhu vakamhanyiswa
sevacharoverana musoro kuti ndiwane
treatment nekukasira. Ndakanopinzwa
muroom mangu ndega vana mama
vakamiswa pamusiwo vachinzi vaizodeedzwa
kana paitwa matest. Pasina nguva madrip aive
abairirwa ko ndaizivei hangu nhai dofo
rekwaMadondo ndaiti pamwe ndakufa. Ivo
vaive vanzwa zvekurutsa kwandaiita so they
were trying to keep me hydrated.
Pandakapedzisira kupinda muchipatara ndaive
ndapotsa padiki ndafa ndichisiya Innoe wangu
saka fear iya yakadzoka. Vakuru vedu ndivo
vaive nemhosva zvavo panyaya dzechipatara
idzi nekuti kare munhu aiti akaadimitwa
kudzoka kwake kumba ari mupenyu yaive two
percent chaiyo. Kuiswa madrip iwaya
kwaityisa taionaka varwere vakawanda
pamasocial media vakaabairirwa vachinzi
ndeve cancer nezvimwe zvirwere zvihombe.
Manurse aindiattender akatanga kutaurirana
kuti hapana zvavaizokwanisa kuita
ndichichema kudaro saka vakati
vakundirarisa. Ndakaita sendichavati “shuwa
kasirai pasati pawana anotevera kuzondiona”
zvainyadzisa izvi kuzivikanwa nemusha wese
kuti ndaive ndaenda kumwedzi. Iwo
maendero aya aive right here ekuti unotanga
warutsa muviri wopera simba, ndakangofunga
kuti pamwe ndomachanges acho aitaurwa
namama Madondo kuti muviri
unombovhunduka huni nyoro yemukwasha
yavainyeya musi watakaenda kunovapa jira
ravo. Ndisati ndabaiwa kuti ndirare ndakapiwa
chigaba kuti ndiite weti handina kuenda
kutoilet ndakaitira pabed ipapo.
Ndakangozorara ndiri mundangariro
dzekuenda kumwedzi uku handina kana
kurota ndaitoita sendaive ndabatwa nehope
dzemunhu abva kushanda zvakaomarara.
Handizivi kuti ndakarara nguva yakareba
zvakadii asi kupepuka kwangu kwakakonzerwa
nekuseka ndikavhunduka ndichivhura maziso.
Vaive mama Mapanzure nambuya mai Farai
havana kuzviona kuti ndaive ndamuka nekuti
mama vaive vakagara pabed vakaita
sevakandipira musana.

Mama: chaitemura choseva ndini here uno


maiguru?

Mai Farai: ndimi vatete ndakakuudzai kuti


mwari akanaka uyu.

Mama: zvoreva kuti ndicho chikomba changu


change chorwa godo kuna baba Innoe
(vakaseka futi vakarohwa pagumbo nambuya
mai Farai kuti vasekere pasi).

Mai Farai: muchatidzingisa muno imi kkk


nhasi mandisetsa vatete saka nezvese
zvamataura zvaiitika moreva kuti hamuna
kana kumbofungira kuti chingave chii?

Mama: (vakasumudza maoko mudenga) oohh


ndopika naNaison hanzvadzi yangu munyoro
handina ini. Hamuoni ndange ndakudanai
ndikati aaa poto inonaka uchiravira
usingacheuki kuti ndaonekwa nani.
Mugoonaka ini naye ayewa tange tisina
dambudziko mufunge pana baba Innoe ndipo
panga pakurema. Ivo vaingonyarara zvavo
chero musi wandakada kutaura nezvazvo
vakati matotanga vana vamwene kuda kuona
zvisipo.

Mai Farai: pamwe vaive vatozviona kuti


muroora atsika mwedzi vamwe vanoita kurota
chaiko asi nekuda kwekusatenda mune
zvehope vanobva varega kuzvitora serious.

Vakasara vopedza kutaura mbuya mai Farai


ndabudisa maziso aichururuka misodzi
yekudzipwa nemate. Ndaitya kukosora
vaizoziva kuti ndaiteerera nyaya dzavo. Iyi
yekutsika mwedzi yavakataura ndiyo
yakakonzera zvese izvi vaida kuedza kudii
chaizvo?

Mama: afara mwana wangu veduwe dai


mwari angotinzwa minyengetero yedu
vasikana ndingaita zvokudiiko?

Mai Farai: ndabva ndarambiwa hanzi


handichina basa nemi mbuya machembera.

Mama: babyshower tototanga kuronga.

Mai Farai: mapedza imi apa ndopeduwo apa


pasina kunzi nevarume toda kuziva zvamuri
kuronga

Vakaseka vakarovana maoko ini


kuzokanganwa kuti ndaive ndakahwandira
ndakatosmiler. Ndakakosora zvine simba
ndaive ndakutonzwa kuzarirwa nekuramba
ndakasunga kwandaive ndaita. Vakavhunduka
vasikana vaviri ava vakaita sevachabonderana
musoro. Mama vakatsvedza zvikanzi “baba
wangu nzou, nurse!!!” Mbuya mai Farai vaive
vakutora mvura muplastic raive paside pebed
hamheno kuti ndiani aive atounza chikafu.
Nurse akauya akasekerera achipinda
pamusiwo ndokuti “magaraka manzi kana
amuka moenda henyu naye?”

Mama: ehe vamwe vaenda kunotsvaka


mapiritsi atanyorerwa vange vachitofona
vachibvunza kuti vodzoka kuno here kana kuti
vonanga kumba.

Nurse: mavanzwa doctor vachiti hapana kana


chakaipa kubuda ropa kwaaita hazvirevi kuti
nhumbu inoda kubva zvinhu zvinongoitika
kana ichiri diki kudai. Chibereko chakatovhara
chakudiwa kuona doctor sekurairirwa
kwamunenge muchiita pese paanoenda
kucheck-up. Handisi kuti akabuda ropa
musauye kuno hatizivi zvinoitika mukafamba
kwenguva saka mukaona anything
chamusinganzwisisi tangai mauya kuno kuna
chiremba. Mapiritsi maudzwaka kuti
ndeekumisa kurutsa kana akadarika mazuva
avataura zvisina kumira modzoka
mozonyorerwa mamwe?

Mama: zvakanakai nurse tinotenda zvikuru, ko


mai two adiizve nehembe dzaaenda kunotora.

Mbuya mai Farai vakafona vakaudzwa kuti


vaitopinda pagate saka takangozomira
zvishoma ini ndichichema nemufaro veduwe
dai mainzwa mashoko aitaurwa maInnoe
achidemba kuti dai aita vana maimunzwira
tsitsi. Ndeuya munhu wekuti dai
ndakangotadza kubata nhumbu aitozvipa
mhosva kuti ndiye aive nedambudziko. Ko
nyaya yaitaurwa namama nambuya
pekutanga ndichangomuka yairevei ndaiedza
kubatanidza zvichiramba kusangana. Ko
kumbak ndainogamuchirwa sei naInnoe
zvaainzi akafara zvekudambura dembe?
Ndaive ndangoita manzwira ekuti ndaive
nenhumbu saka yaive yakura zvakadii
ndaisaziva ini kuti inoverengwa sei.

End of chapter 24

Love you guys


CHAPTER 25
*Innocent*

Pfungwa yemama yekuti tiende kunogara


kuBrooke yaa yaive yakanaka chose vaidawo
kutipa space semubereki.Kugara kwakasiyana
pahukama muchipota muchishanyirana
kwakakosha zvikuru. Pakaita kuti moyo wangu
usasununguka nepfungwa yavo ndepekuti
vaitaura vachiita semunhu airemerwa. Pane
zvavaihwandisa zvakadzika ko ndaivazivaka
vaive mai vangu ava ndakakura ndiri very
close kwavari. Pane zvaive zvaitika chete
pakati pavo naPurity pamwe kunyarara nguva
yese iyi vaiti ini ndichazviona
ndigozvigadzirisa. Mumaziso angu vairatidza
kuwirirana vaviri ava handina
pandakambobva kubasa ndikanzwa Purity
achiti “amai vako vadai zvandisina kufarira.”
Ivo mama semunhu mukuru vaidei
vakataurawo neni kana paive nezvainetsa
takakasira kugadzirisa pane kungotanga nyaya
vakatopa decision kare. Hazvirevika kuti kana
taizonogara kuBrooke kwacho taizonge
takunda nhamo dzese? Chero ukagara
muupfumi uchiwana zvese zvaunoda nerimwe
remazuva unotoda hama kuti dzibatsirane
newe pane zvinenge zvichirema. Hama ndiko
kwaive kuchema kwedu tiri vatatu zuva
nezuva kuti dai taive nehama pedyo pamwe
zvimwe zvaireruka. Hama dzataive tinadzo
ndivo vana sekuru vekwaamai kana taizoenda
mukusawirirana namai Innoe ndiani aizotora
side redu? Chandakadzidza muupenyu
ndechekuti kana uri munhurume usamhanyire
kutonga nyaya usina kunzwa mativi ese.
Mama vakaunza nyaya yavo ini ndikanyarara
handina mhinduro yandakavapa ndaida
kunotanga ndataura naPurity ndinzwe kana
paine zvaaishora pamba pedu. Kutaura nyaya
hakusi kupopota ini zvangu ndaisazvigona
zvekupopota zvacho uye ndaivimba kuti
taizonzwanana. Nemadiro aiita mama
muroora kwemakore ese avainditi ndiroore
ndaitoziva kuti kunetsana kwavo naPurity
kwaizovaendesa kumakuva nebp. Rwaisave
rudo rwekunyengerera kuti nekuti muroora
anobva kumba kune mari kana kuti muroora
aive nedzidzo. Ko vaishayei mai Innoe isu
ndisu taitoda rubatsiro rwavo zvakanyanya
kuti tikwanise kusimuka. Iyi ndiyo position
yakaoma muupenyu manje yekuti amai vako
nemudzimai wako vatadze kuwirirana.
Mukadzi unenge watanga kumuziva pamwe
zvenguva shomanana asi moziva rudo
zvarunoita runotora moyo yenyu vaviri
rwopfekanisa hamuchatokwanisi kurarama
musiri pamwe. Amai manje ukafunga
kwamunenge makabva mese sevangu yaitove
nhoroondo yaindichemedza saka apa paitoda
kuti nditambe nyaya yangu zvakanaka.
Ndakadriver kunosvika kumba ndiri
mundangariro dai ndaive ini ndaifambira
mberi pamwe ndaizopfuurira nzira
ndakanganwa pekutsaukira kuti tipinde
mustreet yekuenda kumba. Patakasvika
pagate ndakataura ndega ndikati “Innoe
please calm down.” Hana yangu yaive
yakurova mongoziva zvazvinoita kana usina
kugadzikana pamwe pacho unozongonzwa
wataura mashoko asingaite zvozonetsa futi
mune ramangwana. Nyaya yaigona kutaurika
zvakanaka hayo sezvo mama vaive vandiudza
kuti taizowana mbuya mai Farai vasvika
kumba. Zvisinei hazvo takapinda tikawana
vasipo ndikafambisa kuenda kubedroom
panguva iyi ndaisaziva kuti ndaizoti chii
pataisanganidzana maziso naPurity. Aive
akugona hake kundigashira ndichibva kubasa
kana achitove mubedroom zvake
ndaitombopiwa makiss aindisiya ndakuda
kurova zvinhu. Misikanzwa yaive yazarisa
aifarira kundidenha ondisiya pazip pazvimba.
Zvinhu zvese zvakasanduka tasvika kumba
tikawana Purity achirwara. Ini namama
taizvipa mhosva yekusaendesa Purity
kuchipatara kubva zvaakanga atanga kurwara
kwake uku kwaigara kuchiita on and off. Dad
hapana zvavakanga vaziva vakatozobuda
vachiti vaive vanzwa voice ramama vachitaura
nambuya mai Farai saka vaida kuzokwazisa
vaenzi. Panguva iyi ndaive ndadzokera
kunotora jersey raPurity kuti nditevere
kuchipatara sezvo vana mama vaive
vatotungamira naye.

Dad: ko hanzi zvaita sei futi?

Ini: handizivi dad but ange achiratidza kuti ari


serious ko kana akafa mwana wevanhu
ndodii?

Dad: zvekufa zvabvepi futi ndimirire nditore


jacket rangu tibude tese.

Ndakaita sendichavamhanyisa ini


vaindinonokera vachikwidza masteps ekuenda
kubedroom kwavo. Vakadzoka ndanzwa
nekutenderera mumba ndichiti ndikakwenya
musoro ndopuruzira dumbu raive rakutanga
kusimukira kubva zvandakaroora ndofunga
ndiyo good living yacho yatainzwa zvichinzi
“awana mukadzi aita chinhu chakanaka.”
Vakauya dad vachiedza kufonera mama
vachibva vati “havasi kubata phone rega
tinozvionera tasvika mberi.” Yowee dai
ndakaziva ndakaenda ndega zvangu kana kuti
umwe neumwe akashandisa mota yake.
Ndakamiswa mutown vachiti havangasvike
kuchipatara vasina chavakabata sezvo
vakanzwa kuti Purity airutsa pamwe ainzwa
nzara. Ndakangonzi “misa mota pachicken
slice apo undideedzere munhu anotiitira
order yedu zvekumira muraini nemarebero
arakaita tinganonoka.” Izvozvi zvavaiita
zvaitononotsa asi ndaigodii hangu
ndakaburuka vakabuditsa twenty dollar
muhomwe yeshirt yavo. Mari ndaive nayo asi
vakaramba vakati nditore ndokusara
vachiseka havo. Zvavaiita here zvaibhowa
kungoti semubereki zvimwe unoshingirira
usazonzi wakudheerera. Ndakanomira muline
after ndakumbira kuenda mberi
ndikarambirwa mamai aivepo akati
“wamaona asina kwaari kumhanyira ndiani
nesuwo tine mabasa mukwasha itai mushe.”
Bitterness yakazara munyika umu kani vanhu
kungosimudza nyaya diki kuiita hombe apa
yakatora nguva vemiromo inotaurisa
vachingoenderera mberi. Ndakanoudza dad
ndadzokera kumota vakaseka ndokuti
“zvevanhu zvotevedzerwa here mwanangu
vamwe vanenge vachitoshaya kwekufambisira
nguva hakuna mabasa kunze uku saka
kutukana nekurwa rakutoita sebasa chairo.”
Ndakabva apa ndakavatsamwira ndofunga
vakazviona nekuti havana kuzombotaura neni.
Ndaitarisira kuti kana ndavaudza zvekutukwa
kwangu pamwe vaizondiyemedza zvandaive
ndakajaira manje mhinduro yavo yaitoita
sevaitora side revanhu vaive vandikanganisira.
Kuri kare kwangu ndaichema ini ende
kunyarara kwacho kwaizoitika ndapinda
mumaoko amama vangu.
Takanosvika vana mama vatoita zvese
zvaidiwa vachitove mukati nemurwere. Dad
havana kupinda vakasara vakagara mumota
ndikatevera, kungopinda kwandakaita yakave
noise mama vakandimhanyira kuda
kundisumudza. Mbuya mai Farai vaiseka
vakatsigira mama nekumusana zvikanzi
“munodonha vatete munofunga kuti
mungasimudza Innoe here uyu?” Mbuya mai
two vaida kubuda vakatomiswa nekupinda
kwandakaita. Takazoti tagadzikana ini
ndichinzwa shungu dzekuda kuziva kuti chii
chaive chaitika ndipo pakanzi nambuya mai
two “ndange ndichitoti ndichafona ndabuda
muno muzukuru. Ndoda kunotora hembe
yekuti muzukuru agopfeka akubuda muno.”
Ndakavapa makey epabedroom pedu
vachibva vandirova chibhakera papfudzi
ndokuti “tozotaura regai ndimhanye
ndigokurumidza kudzoka.” Ndakanogara
pabed paive pakarara Purity achiratidza
kuzorora kwazvo netuziya twaive twazara
kumeso.

Ini: (ndichikisser ruoko rwake) ave sei nhai


mama, hanzi chii?

Mai Farai: musamuudza ngaatange


atinyengerera.

Mama: hii veduwe musadaro maiguru


hamuoni kuti mwana wangu ari kunetseka.
(Kwaive kutaura kwemunhu airemerwa uku).
Makorokoto mwanangu ndiri kunzwa kuda
kusvetuka ndinobata denga.

Mai Farai: (vachiimbira pasi) makanaka


mambo jesu, makanakaha mambo Jesu.

Mama: alleluya mutsvene wevatsvene vese.

Ini: eish madii matanga mandiudza kuti


kwaitikei kana kuti ndinoona doctor hangu.

Mama: ohh sorry tine mufaro mwanangu


hanzi Masiziba is pregnan…

Havana kupedza kutaura ndivo


vandakazosimudza manje vakascreamer
vachitya kudonhedzwa pasi. Ndakaedza
kutsvaka misodzi ikaramba kubuda ndaive
ndangobudisa mazino panze nerute
rukadonha. Ndakasekwa nambuya mai Farai
ndikanyara chaiko ndichibva ndavati
“handichakudii mbuya machembera plus
hamugoni kundibata zvakanaka. Hamuoni
kechidiki aka kari fresh kaka….”

Mama: tazvinzwa kkk zvatichataurirwa


zvimwe pano.

Ini: hiii mama ndafara kani regai ndinoudza


dad.
Mama: ko mauya mese?

Ini: ndivo vatenga chikafu ichochi vachiti


pamwe zvaange achirutsa akunzwa nzara.

Mai Farai: pavachaziva kuti kwave


nechikomba kuno vachauya havo kuzotora
chikafu chavo.

Iye doctor aive avasiya muroom yemurwere


sei vanhu ava ini ndaitonzwa kuvharwa nzeve
nekuseka kwavaiita. Kungoti mama nambuya
mai Farai pavaisangana chete vaiita
semashamwari aya akapedzisira kuonana
kare. Mama vakadeedzera ndave pamusiwo
vachiti “endai munotenga mapiritsi
atanyorerwa nadoctor kuitira kana amuka
tisazononoka naye tichimira munzira anenge
achida kunozorora.” Vaive vanyora zita racho
mufoni mavo so ndakavati vanditumire
message ikatopinda ndisina kure kwandaive
ndasvika. Ndakawana dad vachitaura pafoni
vakamira panze pemota ndofunga vaive
vaburuka vachikwazisa mbuya mai Two.
Handina kuzvitsvaka zvekuti vaive pafoni
ndakanovasvetukira “dad guess what?”
Vakaudza munhu wavaitaura naye kuti
vaizomufonera ndokuti “zvandicharuma ivhu
unoti simba rekukutakura richiripo here
Innoe?
Ini: dad-dad she is pregnanty.

Ndakataura ndichivatendeka nemaoko ese


ndichiita semunhu arikutambirira achidzokera
kumashure. Vakavhura maoko avo
tikanombundirana vakandirova-rova
kumusana.

Dad: congratulations-congratulations
mwanangu ndashaya kuti ndoti chiiko.

Ini: I’m happy dad.

Dad: ndakambozvifunga pandakaona ndaita


chisasa mama vako vakashingirira yekuti
pamwe ndaive ndadya chikafu
chisingaenderani neni pamuchato.

Ini: chii chinonzi chisasa ichocho?

Dad: chiri kumusana uku ndaidei ndakuratidza


takatombotenga mushonga chikabva
ndokunomera paside.

Those myth ndaisada confusion so


ndakavaudza kuti ndaida kunotenga mapiritsi
vakati tiende tese. Munzira dzaive dzakutsva
nyaya pane zvatakabva kumba
ndakavatsamwira. Handina hangu kuziva kuti
mama vaifungei sezvo ndisina kunzwa
kuchema-chema kwavo kwavaimboita. Dad
vakati “ndiri kufara mwanangu handidi
kufunga zvakawanda zvinondikanganisa
mufaro wangu ngatiisei zvese kuna mwari.”
Ndakatoziva zvavaireva asi neniwo handina
kuzviisa mupfungwa nekuti chaitonga
panguva iyi mufaro. Takanotenga mapiritsi
ataida acho dad ndivo vakabvisa mari ini
ndaipiwa mukana here vaiita sekuti taive
pacompetition yekuratidzana kuti aive nemari
yakawanda ndiani. Ndakazoseka
pavakanotenga mapack maviri emazoe vaifara
dad vangu ini ndaizowaniswa mukana
wekuspoiler mukadzi wangu here ipapa?
Mama ndaitoziva kuti paitoda kusimba chaiko
pakutaura pamwe ndaitozomutorerwa vakuti
vakunorara naye kuspare bedroom. Yandaive
ndamirira inyaya yekuenda kuBrooke ndaida
kunyarara votaura ivo mama zvavaifunga.
Takabuda mutown tikafonera vaive
kuchipatara vakati tainosangana kumba.
Tisina kure kwatasvika takafonerwa nasekuru
Farai ndikatovhunduka kuti ndaive
ndakanganwa kuvaudza zvekurwara
kwaPurity. Kudavira foni kwemunhu ari
pamufaro mongokuziva imi ndakati “dangwe
rangu mhoro.” Vakaseka sekuru vakati
“unomboziva kuti ndiri mai vako here iwe
unofarisa mupfana.” Dad vakambosebedza
musoro vakakwazisana natsano vavo.

Farai: kwave nevamwe sekuru kuno.


Ini: sekuru vekupi?

Farai: kkkk vabatsirwa mbuya vako mwana


mukomana izvezvi handisati ndatombovaona
hangu ndiri kutosvika pachipatara ndichibva
kuOld kwandange ndichishandira nhasi.

Ini: haaa congratulations sekuru, vapona havo


zvakanaka here?

Farai: handisati ndaziva ndazoudzwa


zvekurwara kwavo vatodeedza ambulance
kare. Kuseni ndazviona kuti munhu anenge
asiri kunzwa mushe but pandabvunza
ndaudzwa mazinzeve akatiza musoro
ndikaenda hangu kubasa. Mama vazoedza
kundifonera pandange ndiri mutheatre
ndatoona mamissed call pandabuda izvezvi
ndipo pandazofonerwa nestaff yange
ichiattender mbuya vako vakati atopona.
Uudze aunt asi ndichazovafonera hangu
ndatanga ndaona kuti kwakamira sei.

Vakadimbura call ndisati ndapindura


ndikaudza dad vakati “inga zvadziri good news
ko mbuya vange vane nhumbu?” Ndakaseka
vakandirova pachidya ndokuti
“makanyengerana nana tsano kuti
muhwandise handifungi kuti mama vako
vanozviziva ini.”
Ini: ndezve boys dad mungatorwara
nemusoro.

Dad: manje makaura kana mange muchida


kudaro pana Masiziba ndaingozopedzisira
ndazviziva.

Ini: ndange ndisina chandinoziva dad haa ini


mondiziva wani hana yangu inoremerwa.

Takafamba tichiseka asi ndoda kungoti kana


uine vabereki kana mbuya nasekuru vapenyu
shandisa nguva iyoyo mukana uchiripo. Ipapa
ndakatonzi nadad “aita hake Masiziba
akarwara unobatika here iwe wakunyanya
kubiwa nebasa mwanangu.” Havana kuziva
kuti ndaive ndadzoka nekuda kwamama
ndakangoti handingakanganisi mufaro wavo
ndichitaura nyaya dzemakuhwa. Takanosvika
kumba vana mama vachangosvika
vachitobatirana Purity kumuburutsa mumota.
Aigona kufamba asi iii namai Innoe aitoitwa
seaive akuda kufa chaiko. Ndakabvunza kana
vaive vafonerwa nasekuru Farai vakati kwete.
Ndakamirira kuti vaendese Purity mumba ini
nadad taive mumashure zvedu tikanogara
mudining. Purity akanosiiwa kubedroom
nambuya mai two vakadzoka vachiti aive
asara achigeza.

Ini: ndafonerwa nasekuru Farai hanzi mbuya


mai Natie vabatsirwa mwana mukomana.
Mama\mai Farai: hezvo!!! Rini nhaiwe?

Mai two: ndosaka baba two vange vachifona


ndatorega kudaira ndichiti pamwe vanoda
ndiende kubasa. Makorokoto shuwa regai
tifone tinzwe kuti varisei.

Ini: pavandiudza vange vachiti vari munzira


kuenda kwavaponera vange vasati vavaona asi
vati vachafona zvakare.

Vakaitana makorokoto nadad ukave mufaro


kani mama vaizobuda misodzi manje kana
vafarisa ndaitoshaya kuti waive mufaro
werudzii waivakurira kudaro. Dad vakasumuka
vakaenda kubedroom kwavo tikasara
takupinda munyaya yaive yafambirwa nana
mbuya.

Mai Farai: (vachiseka) toenda nhasi here


kuBrooke vatete nderumwe rwendo rwamuka
urwu mangwana ndotomukira ndichidzokera
kuBulawayo ndinorongedza?

Mama: ndiri kushaya kuti ndoti chii vasikana


ko tikangokanganwa zvese?

Mai Farai: zvadiizve?


Mama: hamuoni kuti mwana wangu ari
kurwara here maiguru uye
handingamborarami ari kure neni anoda
kubatsirwa. Ndongoti ruregerero
ndakufambisai maiguru ndikasiisa Innoe basa
neniwo ndange ndisingazive chikonzero. Dai
ndakaziva kuti inhumbu tisipo pano honai
ndini amai ndiri pakati pezvese zvinoitika
mumhuri. Vana vanofanira kugara
vakasununguka, baba vanofanira kugara
vakasununguka zvakare zvikaremera divi
rimwe unotsvaka way yekuti zvienzanirane.

Mai Farai: ichokwadi vatete kungoti tasiyana


nevanhu vekare vaitoona zvinhu
zvichangotanga kuti pane chakukonzeresa.
Ndokunzwisisai uye musazviremedza kuti
ndafambisa mai Farai handiti ndiro basa redu
sana mbuya kuona kuti vana vakagara
zvakanaka here.

Mama: ichokwadi maiguru ndotenda


nekunzwisisa kwenyu ndichiti kuna Innoe
sorry hako mwanangu handina kutaura ndine
bad intention.

Ini: mama musanetseka nezvakawanda


chakakosha ndechekuti takuziva chikonzero.
Dad vange vachitoseka vanenge vange vane
kakufungidzira kuti ndizvo zviripo hamheno
chinhu chavati chakamera kumusana kwavo.
Mama: (vakaseka) shuwa vakaita chisasa
vakatonditi mai Innoe uri kundisasaidzaka
iwe, haa ichokwadi ini kana kumbozvifunga.

Taingotaura hedu asi ndainonokerwa


nekuwana mukana wekuenda kumukadzi
wangu. Patakatosvika ndakaita kuzvidzora kuti
ndisasebera pedyo naye nekuti ndaizoita
zvinonyadzisa pavabereki. Ndakasumuka
pakanga pakutaura mbuya mai two pafoni
vachitoudzwa zvekupona kwambuya mai
Natie nasekuru Nigel. Ndakanosvika
mubedroom medu ndikawana adzoka
kunogeza Purity arara akafuga machira
akatarisa kumadziro. Ndakamufukura akaseka
achibata kumeso ndokuti “uri kudei nhaiwe
hanzi namama ndizorore ndisanetswa
nevanhu.”

Ini: amana saka vanhu ndini here usadaro?

Takasanganisa miromo ndikamukisser


zvinyoro-nyoro akabata musoro wangu
neruoko rumwe chete. Ndakanoisa maoko
padumbu pake ndikapuruzira mwana wangu
ndikanzwa rumwe ruoko rwake rwave
pamusoro perwangu. Ndaitoda kusimbisa
mwana wangu ini rumwe ruoko rwakadzika
kuda kunobata kuzasi akabva amuka
akanogara akazembera madziro.

Ini: ndikataura zvakawanda babie ndogona


kungochema muno ukatadza kundinyaradza.
Uri kuramba uchingondiita murume pane
vamwe handizivi kuti ini ndichazokuitirawo
zvakanaka rini. Zvazvino team yangu
yakabaiwa hamheno kuti mascore mangani
kwazero.

Purity: pane pandaizoita nhumbu ndega here


neni I’m happy hako.

Ini: really?

Purity: (achidzoka kuzorara pamakumbo


pangu) ehe aa.

Ini: ohh ndafonerwa nasekuru baba Natie


hanzi mbuya vabatsirwa mwana mukomana.

Purity: saka mbuya mai Farai vatouya


kuzokwirira kuno kuti vaende kuSouth?

Hapana aive amuudza zvekuBrooke


ndakambofunga kunyarara ndikaona kuti
pamwe mama vaizomuudza zvoita sekuti
pane zvakashata zvataitaura pamusoro pake.

Ini: mbuya vazvinzwira kuno ndini ndavaudza


vange vasingatozive. Mbuya mai Farai
nambuya mai two vange vafambira imwewo
nyaya yavange vadeedzerwa nadad namama.
Handiti takapiwa imba pamuchato saka vange
vachiti kana tichida kunogara ikoko
toperekedzwa nana mbuya.

Purity: (achitarisa pasi) aaa.

Ini: chii babie ini ndongotevedzera zvaunoda


kana uchida tiende…

Akagara akandipira gotsi ndikaedza kumubata


akazunza ruoko rwangu. Akangosumuka
akafambisa achibuda ndikaedza kumudeedza
haana kana kucheuka. Ndakateverawo
ndichida kunonzwa kuti aizonoti chii kuna
mama. Akanogara pasi pedyo namama
misodzi ichiyerera ivo vakamubata
pabendekete ndokumuswededza
mumakumbo avo kuti aise musoro pavari.

Mama: chii Masiziba, waitei Innoe?

Ini: (ndichigara pedyo nambuya mai Farai)


ndicharohwerwa mhosva yandisina kupara
pano mbuya kana zvichibvira motonditora
tonogara hedu kuBulawayo.

Mai Farai: wakundida nekuti waita mhosva asi


kuchipatara wati ndachembera hauchandidi.

Purity: (achipfugama) mama ndokumbirawo


tisaende kunogara kuBrooke kana kuti
ndosara hangu iye Innoe oenda.

Chero neni ndakaseka nhaimi uyu munhu aive


akanyatsokwana here? Mashoko aya akabata-
bata mama vaizvishingisa havo kuseka asi
ndaiona kurwadziwa mumaziso avo.
Ndofunga mumoyo vaitozvituka kuti vaive
vambozvitangirei honai kwazvaive zvazosvika.
Iniwo ndakabatwa-batwa zvangu pakuti
nenyaya dzatainzwa dzaiitika kumashamwari
adad vana vainzi kungoroora chete
votofuratira vabereki. Vamwe vaisvika
pakuzadza imba nevazukuru vanenge
vasingabvumirwi kunoona mbuya nasekuru.
Vana vakomana kazhinji vakangoroora
mashoko ekuti vabereki vanoroya vanoda
kudya vazukuru anobva atotanga.
Mukatarisisa varoora ndivo vanenge vachiuya
nawo mashoko vachiti kwavanofamba ndizvo
zvavanoudzwa. Mbuya mai Farai vaizvirova
chipfuva nekuita kwana mbuya vadiki nekuti
havana kubvira vanyimwa mukana wekuona
vazukuru vavo. Mbuya mai two ndivo
vakazonyaradza Purity vakamuti “hona wabva
kuchipatara hausati wasimba ukachema kudai
bp inokwira zvokanganisa utano hwemwana.
Hapana anokumanikidza muzukuru inyaya
yange ichingotaurwa mukuonesana chete.”
Haana kumbozodzokera kubedroom aive
akagara akazembera mama kusvika pakauya
chikafu chemanheru vakasimuka
vachiendesera dad. Takazopedza kudya
sekuru Nigel vasvika pakatanga kurongwa
mafambiro aizoita vanhu kuenda kuSouth-
Africa. Mbuya mai Farai vakati vaizonorara
kuBulawayo muzuva raitevera vachirongedza
then Sunday ndipo pavaizokwira kuenda
kunoona mwana. Sekuru Farai vaive vazofona
vakataura kuti mbuya zvese nemwana vaive
right. Vakapotsa vaitwa operation nekuda
kwekuti mwana aive akakurisa asi
pavaigadzirirwa kuenda kutheatre ndipo
paakabuda vakambofainter. Mbuya mai two
vakaedza kutaura navo vaive vachakaneta
takangonzwa vachiti “ndange ndafa munin’ina
wangu ndatomboraira nhaka kuna mama
ndikati muudze mainini vachengete vana.”
Vaimanikidzira kutaura vachipota
vachigomera asi vakazopedzisa nekutaura kuti
vaive right zvavo vaitorwadziwa nemastitch
chete. Mastitch acho handina kuziva kuti aive
eyi sezvo vainzi havana kuzoitwa operation.
Mbuya mai two vakati vaizoenda pamwe
nambuya mai Farai kureva kuti kubasa
kwaizosara sekuru Nigel. Mama vakati sezvo
Purity aive achangobuda muchipatara vaida
kupedza week vachiona kuti arisei then
weekend yaizotevera ndipo pavaizoenda
kuSA. Takangonzwa odairira Purity hanzi
“toenda tose mama tikasumuka Friday
todzoka Sunday.” Aitaura zvekuenda kuSA ini
ndaitonetseka kuti aizodii nechikoro iye aive
ave nenhumbu kudai. Vakangowirirana
namama ini ndisina kupinzwa munyaya vakati
“kana tikasvika Friday yacho usingarwari
toenda hedu.” Vana mbuya vakaoneka
vakaenda tikasara hedu tamirira kudzokera
kwaPurity kuchikoro.
Mama vaiti ndivo vaizomuendesa iniwo
ndaida kuzonge ndichimuendesa
nekunomutora tombowana nguva kubasa
manje hamheno aizobudirira nekuti mama
vaiita sevaitove nezvavaishandisa paari. Dad
ndivo vaindinakidza vaive vakuziva kuti Purity
aivavenga vaitoita zvekudenha chaiko ndiye
aizopedzisira akuchema.

Musi waakatanga kuenda kuchikoro


akaperekedzwa namama vakadzoka vachiti
vakafamba road yese munhu achirutsa
vaitonetseka kuti aive asara zvakanaka here
ikoko. Masikati pandakaenda kuti
ndinomutora ndichibva kubasa ndakawana
vatomutora vaenda kumba ndikatevera ikoko.
Ndakawana vakagarira tumwe tutanda
twavaidya ndikati pamwe waive mushonga.
Vaive vatorwa kwaMapanzure ava vese
ndakatombotya kuti pamwe upenyu hwangu
nehwadad hwaive hwakuzosungwa nevaviri
ava vaiwirirana zvinobhowa.

Mama:unodziziva here idzi nyii huya tidye.

Purity: mupei dzakaita hombe idzi diki


dzinonaka dzinenge dzakabva pamiti
yakasiyana.

Handina kutaura navo ndakadarikira kuenda


kubedroom ndikanogara ndichiti pamwe
Purity achatevera asi ndakapedzisira
ndadzokera kwavari kuti ndiende kubasa.
Mamak vakazoita wekutuma kuti aende neni
akamboda kuramba achiti aive nebasa
rechikoro raaida kuita. Akazobvuma ndamuti
ainoitira kubasa tichibva taenda tose. Manje
kuSA kwavaiti vaizoenda namama paweekend
neniwo ndaitoendawo ndakatorongana
nasekuru Nigel kuti taizobatana pamwe.

End of chapter 25

Love you guys


CHAPTER 26
*Purity*

Nyaya yakataurwa namama yekuenda


kuBrooke haina kundibata zvakanaka.
NdiInnoe chete akaenda nerweseri
akanotaura namama handina kuziva hangu
kuti akati chii ndakashaya wekubvunza. Kubva
zvatakatanga kugara tese hatina kunge
tambosimudzirana mashoko so
ndakangokoshesa kuti mama vaive
vandinzwisisa pandakati ndaisada kuenda. Dai
vakandiendesa zvenharo ndainotiza osara ega
Innoe handiti ndiye aida zvekuenda zvacho?
Kubva zvaakatanga kuenda kubasa aiti aida
kuti nditevere masikati oga-oga tozouya tese
manheru. Ndakaramba ini zvaiita here
veduwe uchangobva kuroorwa nekuchata
wakutoteverera murume hauchasweri pamba
kana kuita mabasa nevamwe? Hapana
zvandainodzidza kuoffice ikoko kunze
kwekungonoitwa zveumburu, yes neniwo
ndaizvida zvainaka chose asiwo zvaida kuitwa
zvichizororwa kuitira kuti tisazosvika
pakubhowana. Zvakatombondibira mufaro
wangu wekuti ndaive ndave nenhumbu
ndichifunga kuti aive amboti chii chaizvo
chakaita kuti mama vadeedze vana mbuya
vasina kumbondibvunzawo. Munhu kana
achida kunatsa zita rake anoita chimwe
nechimwe veduwe ugosara wave iwe muipi
pamwe anenge atotsindidza kuti
“musamuudze kuti ndizvo zvandakuudzai.”
Kubva zvandakabva kuchipatara handina
kumborutsa kuda paya zvakaitiswa
nemanyemwe ekusada kuhwandisa rine
manyanga mumushunje. Mapiritsi ndairasa ini
ndonyepera Innoe kuti ndainwa aitofara kuti
zvaishanda. Mufaro waive wave pamusha
pekwaMapanzure ndaitoitwa sendaive
ndakatakura Jeso. Baba ndaivavenga asi kubva
zvavakaziva kuti ndaive nenhumbu vaive
vasisaite zvekuti vainozvivharira mubedroom.
Ndaisvotwa navo kusvika ndasvotonoka
vachiseka nekutaura nyaya dzavo.
Zvekusununguka here ayewa handidi
kunyepera vanhu mwari vanganditonga vaive
vakasangana mama nababa vaizvigarira
vachifara. Mubedroom ndaive ndave bhiza
chairo ndaitomutanga Innoe zvekurara ndisina
kudya zvaindipa kumuka ndakakwindimara.
Zvaisataurika kuna mama ndaizonyepa kuti
muviri waisaita zvakanaka vasingazivi kuti
pakati pemakumbo ndipo paida kugara
pachipiwa chikafu chakakwana. Hamheno kuti
aibva akaneta kubasa here Innoe pamwe
paaimbondinyima kana kuti aingoda
kundikaurisa hake. Aitaura mukuseka kuti
tainyanya kuwirirana namama
tichimukanganwa hauzozive pamwe mumoyo
zvaitomubaya.
Kwaive kwauya shoko rekuti mbuya mai Natie
vaive vabatsirwa mwana mukomana zvakaita
kuti mbuya mai Farai vakurumidze kudzokera
kuBulawayo. Vakazoenda nambuya mai Two
tikafonerwa vasvika kuSouth-Africa vachizivisa
chimiro chavaive vawana chiriko. Zvimwe
ndaisaziva hangu asi pavaitsanangurira mama
vairatidza kunzwisisana. Vaiti mwana aive
akakurisa akatobuda ne4,9 kgs zvakaita kuti
vasonwe mastitch mukati nekunze. Akaitira
tsvina mudumbu vakanosukwa panguva iyi
vaitonzi vaisagona kufamba zvachose
vaitomirira kuti mastitch atange kudambuka.
Mwana wacho futi ainzi akamboiswa
pamachine wekufema nekuti akazobuda
aneta apa aive akasunganidzwa necord.
Zvaityisa izvi takatonzwa kuti baba vake
vakanga vamutumidza kuti Miracle kana pane
aida kuzomupa rechitwo zita aive
akasununguka hake. Ndaida kuenda kunoona
mbuya mai Natie ini asi ndaive ndisina
chokwadi kuti ndaizobudirira here. Innoe aiti
ndirege kuenda namama paweekend
yaitevera tozoronga rimwe zuva rekuenda tiri
two. Zvaizoita here kuti kwese-kwese munhu
wongovimbisa usingazadzise zvaunenge
wataura. Taive tavimbisa vana mbuya
kuBulawayo kuti taizoshanya paholiday asi
yakasvika pakupera achingoverengera.
Kwambuya mai two chaiko muHarare makare
hatina kumboshanyako kubva zvatakabva
kuhoneymoon ndaingozonzwa iye achiti
abvako ari oga. Kwasekuru baba Natie
akandinyengedza achiti pataive kuhoneymoon
taive kure nekwavaigara asi ndakazonzwa
akanganwa akurondedzera kuti paitove
pedyo-pedyo zvapo. Vanhu ava vaive nerudo
rwekushanyirana vachibatira pamwe zvinova
zvandakaona pandakarwara ndisati
ndatomboroorwa sekuru baba Natie vakauya
kuzondiona. Vana sekuru vekuBulawayo
waingove muromo umwe vakadeedzwa
vaiuya nenguva vasingambogunun’uni futi.
Mugoona iye Innoe ndakamunzwa achitaura
nasekuru baba two pafoni paaigeza achiti
vaizoendawo paweekend kunoona mbuya mai
Natie then Monday vaida kuzoenda
kuCapetown kunotenga zvinhu zvavo
zvekubasa. Zvaive pachena kuti ndini ndaizove
ndisiko zvaindirwadza izvozvo unenge wakuita
seusina hanya nehama. Mama vaigara
vachitiudza kuti kushanya kwavaiita kuhama
dzababa vedu nekuramba vakabatirira pavari
vaiitira isu vana kuti tikure takabatana
nevamwe vedzinza redu. Ini ndaive ndatove
nenhumbu mwana iyeye aifanira kuziva
chinonzi ukama hapana paunozodzidzisa
mwana akura zvimwe zvacho semubereki
unenge wakupomera mwana mhosva
yekusateerera asi uri iwe wakakonzeresa.
Ndaingonyarara paaitaura nezvazvo
ndichimirira Friday yacho kuti ndione kana
aizoramba akaomesa moyo. Stress yekuenda
kuchikoro ndiyo yaive yakuda kundikurira
ndaitofanira kunamata zvakasimba ndisagare
ndichirwara-rwara. Zvekunzi ndimire kuenda
kuchikoro ndichiita sehuku yakagarira mazai
ndaisada zvachose. Family ndaiikoshesa
zvakanyanya, murume ndaimuda zvakanyanya
asi pazvese izvi dzidzo yangu yaive mberi.
Musi wandakatanga kuenda kuchikoro
ndakaperekedzwa namama ndikafamba
ndichirutsa road yese vakati zvaikonzerwa
nekuti taive tashandisa mota yaishandisa
petrol. Ndakatosvika kuchikoro ndakunzwa
kuneta asi semunhu aiziva zvaaida muupenyu
handina kumbovaratidzira ndaingoshinga kuti
vabve. Handina kutombosara zvakanaka
zvachose ndaizara mate mumuromo.
Vakazonditora masikati mama vachindivigira
chikafu tikashandisa mota inoshandisa diesel
handina kumbozorutsa. Tave munzira
ndakakumbira kuti vandiudzewo maonero avo
panyaya yekuenda kuSouth-Africa. Ndakavati
“mama ndokumbirawo maonero enyu kana
zvisingaite ndibve ndasiya hangu.”

Mama: chii futi?

Ini: Innoe arikuti tinozoenda kuSouth-Africa


neimwe nguva nerimwe zuva handizivi hangu
kuti zvarini. Kubva zvatakachata mama taiti
tichaenda kuBulawayo kunoona vana sekuru
now ndatozodzokera kuchikoro hapachina
kana shoko tangogara. Ikoko kwana mbuya
mai Natie ndakamuti tiende kunovaona
pataive kuSouth-Africa paya akati kwete
zvakanzi unotanga wapinda mumusha
wozoshanyira hama. Zviri kundiremera ini
pakuti kubva ndisati ndauya sekuru
vakasimuka kuzondiona ndichirwara.
Hazvizoite here sekuti handina hanya nehama
mama ndokumbirawo mundionesewo nekuti
ndikaramba futi ndichiomesa musoro kuti
ndoenda pasina chikonzero ndozoita
sendinodisa rwendo.

Mama: ndini umwe wevaifunga kuti waifanira


kuwana nguva yakawanda yekuzorora sezvo
nhumbu dzichinetsa pafirst trimester ipapa.
Pawataura chikonzera chako ndakunzwisisa
mwanangu zvinonzi kandiro kanoenda
kunobva kamwe. Handioni paine chakashata
kungoenda Friday todzoka Sunday neni
handisi kunogarisa baba venyu vane rwendo
next week. Kungoti pamwe ane zvikonzero
hake zvaanazvo zvatisingazive isu. Yes hama
dzinofambirwa dzinoitirwa zvakanaka asika
usakanganwe kuti murume anodawo
kuteererwa. Umwe anokuedza nekanyaya
kadiki saka advise yangu ndeyekuti kana
arambisisa iwe usaende zvanharo ukazoona
zvaunoona inobva yaita nyaya hombe,
handitika mwanangu?

Ini: ndazvinzwa mama, maita basa.

Mama: unoti vanhu vanonetsana mudzimba


vanongotanga nekurwa here kana kuti
zvinyaya zvidiki izvozvi ndizvo zvine mhepo
yakawandisa. Nhumbu chaiyo inouya
igokonzera noise pasina chamunotaura chine
musoro mukanzwisisana ugoshaya kuti ndiye
uya munhu here apanduka kudai.

Ndakatsidza kuti nyaya yekuenda kuSouth-


Africa ndaizomirira kana iye Innoe ataura
nezvayo. Ndakaita mazuva maviri zvakare
ndichiperekedzwa kuchikoro nekunotorwa
namama. Apa vakaita kukumbira kuna Innoe
kuti vaone kana ndaizoramba ndichirutsa.
Zvemota inoshandisa diesel zvakabatsira
handina kuzomborutsa zvakare mumukanwa
ndimo makaramba kuita taste ndaitobatsirwa
nemazoe andaigara ndichinwa. Mama
vachitotsanangura manheru zvekuti kana
Innoe aizondiperekedza ashandise mota
yediesel akabva ataura zvekuenda kwake
kuSouth-Africa. Pese apa ndaiziva asi aive
asina kundiudza ndaive ndangoita manzwira
achitaura nasekuru Nigel pafoni.

Innoe: ndichataura nadriver uya


aimbomuperekedza kutanga mangwana
Friday ndiye anomuendesa nekumudzosa.

Mama: ko iwe unenge uchiitei Innoe handiti


unomusiya woenda kubasa then….?

Innoe: handipo ini mama tiri kuenda


mangwana nasekuru Nigel kunoona mwana
tozodarikira kuCapetown kunotsvaka zvinhu
zvinodiwa kubasa.
Mama: ko zvanga zvakaipei kuti sezvo
newewo uchienda tobva tangobatana pamwe
naMasiziba achinoonawo pagere vana
sekuru?

Innoe: tichazoenda rimwe zuva (kwandiri)


ndatotaura naye driver ndikamuudza kuti
seven kuseni inofanira kuchaya asvika pano.

Ini: ehoyi.

Ndakangopindura kudaro ndikanyarara


vakamboita nguva vachitaura mafambiro
avaizoita. Vaitoita zvekumukira chaiko kuti
vanobata first flight. Aida kurongedzerwa
Innoe husiku hwakare ihwohwo apa basa
randaive naro rekuchikoro veduwe
ndakashaya kuti ndodii. Dai akagara ataura
pamazuva aive adarika handiti zvaindiitira
nyore? Ndakazoti “pamwe neSaturday
ndikakurumidza kupedza zvandinenge
ndichiita ndichaenda kunoona mama. Kubva
zvavakabva kuVic-falls ndaingoverengera kuti
ndichaenda ndinonzwa kuti Paida arisei.”
Nhumbu yaive yakutoda kumira mberi
kweupenyu hwangu iyi hamheno kana
ndaizowirirana nayo kusvika nine months
dzakwana. Ndakanzi ndaive ndisisabvumirwe
kusangana namama kusvika ndasungirwa
nekuti ndaizovatyora musana. Inga Paida
aingogara pamba wani hapana zvakaitika
ndakabatikana henyu. Ndaisaratidzira kuti
ndabatikana zvaive zvekukuvarira mukati
upenyu hwoenderera mberi. Ichi chikonzere
chekutyora amai musana chakataurwa
namama ndikanzwa Innoe akuti “zvagara
zvange zvisingaite kuti uende nekuti dad
havazowani anovabikira.” Takaonekana
namama ndikavati ndaive ndakuenda
kunorongedzera Innoe zverwendo. Haana
kumbosara akagarisa akauya achizondiratidza
hembe dzaaida kuti dziiswe mubag.
Maremero anoita kunyepedzera kusatsamwa
iwe uchiputika mukati neshungu akaoma
henyu. Kurongedza kwacho kwakanditorera
nguva nekuti dzimwe hembe dzaive
dzatounyana nekugarisa muwardrobe.
Aingotaura tunyaya twake tusina musoro
ndichidavira kana ndaona pakakodzera kupa
mhinduro. Hanzi “ndonoita shopping
yehembe dzemwana wangu. Ko iwe unodei
babie ndigokuvigira haa kuCapetown
kunowanikwa zvinhu zvakanaka kani?” Chinhu
chine musoro chandaitoda zvangu ilaptop ini
zvehembe nei-nei zvaaitaura zvaive zvakewo
hapana pazvaizonyevenutsa moyo wangu.
Maonero andakaita pana Innoe ndeekuti
aigona kutozove nepfungwa yekuti zvese
zvinofanira kuitwa naye. Mwana waaida
kunotengera hembe iyeyu yaisave kodzero
yedu tese here kuti tinge tiri pamwe
tichisarudza zvataida? Aive asati futi
atombove mwana iro ropa iroro kana
paizoitika zvimwe taidziisepi hembe? Taisaziva
zvakare kuti aive mwanai saka ainotenga chii?
Akatanga kuita chikudo apa ndichiti ndiite
ndipedze ndinoverenga ndakabva ndamuti
“ndokumbirawo kuti ndirongedze
usingandikanganisi ndine zvimwe
zvandirikuda kuita ndapedza apa.”

Innoe: zvimwe zvei hona (achindiratidza


pamberi pake) ndakatokumirira shaar ndoda
zvinhu zvangu.

Ini: ndati ndine zvimwe zvandinoda kuita kana


ndapedza kurongedza.

Innoe: unozoita pandinenge ndisipo ipapa


plus hwave husiku inguva yanguwo.

Ini: ibasa rekuchikoro rinodiwa kuseni chaiko


mangwana.

Innoe: unozoita kuseni patinomuka


tichigadzirira zvekuenda.

Ndakabva ndatonyarara iye akatanga kutaura


nasekuru baba two pafoni vachimuti
vaisakwanisa kumukira vachiuya nekumba
saka vaingozonosangana kuairtport. Achibva
pafoni akasumudza musoro zvikanzi “wapedza
here babie handichagoni ini.” Ndaitopeta
hembe yekupedzisira so handina kudaira
ndakabva ndatoiisa mubag iye achitosvikawo
pandiri. Zvinhu zviya zvinongonaka kana
uchifara kwete waita kakubhowekana
unonzwa seuri kujokonyiwa nechitanda.
Romance chaiyo haibude unenge wakuita
seuri kunanairwa muviri nechinhu chinotyisa.
Akaita zvake zvekukisser nzeve achipota
achinhanzwa haiwa hapana kana moto
wakabvira ndakatofinyamisa kumeso.
Mazamu aitozvirwadzirwa achisvinyangwa-
svinyangwa semusuva wesadza. Kuzoti
paakanobata kuzasi aimi ndakanzwa kusvotwa
ndikamuti amire ndaida kumboenda kutoilet.
Iye aiita hake nerudo achitoseka asi ini ndini
ndaisave mumood yacho. Mutoilet
ndakanomira kwekanguva ndikaflasher
nhema ndokudzoka ndichitogashirwa
pamusiwo nekusimudzwa kuiswa pabed.
Hembe dzakabviswa ndokuvhurwa makumbo
kuda kudya kuzasi ini ndaive ndabva kutoilet.
Ndakaramba ini akafemereka akanditarisa
kumeso zvikanzi “babie ndizvo zvandirikuda
usandinyima please ndingarwadziwe.”

Ini: rega nditange ndanogeza kana zvakadaro.

Innoe: kunogeza futi ndakangomira here


ndakurwadziwa shaar, okay handichaiti hangu
izvo ndibatewo babie.

Akataura achiisa maoko angu pachipfuva pake


akatsinzinira achiti “ashuu-ashuu” kuita
semunhu aive arumwa. Akangozoenda
pamusoro nekutotanga kuita apa marwadziro
acho usina kunyorova unonzwa sewakubviswa
humhandara. Ndakatombomusundidzira kuti
zvimwe anganzwisise asi aive atogarwa
nemweya wepakati pemakumbo waitonga
paari. Nzara hake aive nayo izvi zvainzwikwa
pakuti kuchovha kwake kwaive nesimba
achigomera kwazvo. Ndakatanga ndakashinga
ndichiti apedze hake ndinzwe hezvo munhu
akuita kuchinjanisa kurova mwena wese,
wakarakashwa ndati ndikatanga kunzwa
kurwadziwa. Ndakaedza kumusunda kuti
ambomira akabva atondibata nesimba
muchiuno akasumudzira chiuno changu
ndokugonyerera achiponda zvine karough
mukati. Misodzi yakabuda nekurwadziwa
ndikatanga ndichishinyira kusvika voice
rabuda ndipo paakamira zvikanzi “chii?”

Ini: haupedzi apa uri kundirwadzisa


ndakutadzirei?

Inno: ndiri kutodawo kupedza zviri kuramba


izvi ingoshinga ndopedza izvezvi.

Ini: ndichishinga chii ini ndichirwadziwa aaa


handichadi plus ndaneta.

Ndakaedza kumusunda kuti ndirare neside


akandibata nesimba anenge aive atsamwa
ndakatomboti nhasi zvangu ndorohwa. Imika
munhu kundidzvanya muhuro kuita
sendichadzipwa achitodzorera zinhu rake
nekuenderera mberi. Handina
kumbozomurwisa ndakarwadziwa kusvika
apedza paakaburuka ndakadhonza jira
ndikafuka musoro ndokuchema ndirimo. Aive
akuita masorry ake asina basa haiwa
zvaibatsirei ndakanzwa kumuvenga chaiko.
Handina kumboenda kunogeza
ndakangozobatwa nehope ndikarara. Time
yaakamuka akugadzirira kuenda
ndakamunzwa achindideedza
ndikanyepedzera kuita sendaive ndakabatwa
nehope. Akaita zvese akauya akagara pabed
ndokundikisser padama akati “babie ndiri
kufunga kurega kuenda hangu moyo wangu
haufari kukusiya wakadai. Zvimwe zvese
ungaite hako asi kuona misodzi yako
kunondirwadza. Ndakakanganisa kuramba
ndakukumanikidza iwe uchiti wakaneta asi
rudo ndirwo runondidaro please
ndiregererewo. Paunomuka undifonere ndoda
kungonzwa voice rako uchindiudza kuti uri
right ukasadaro handingambofambi
zvakanaka.” Akandikisser zvakare akatora bag
rake ndokubuda achisangana namama avo
vaiti vaida kutaura neni kuti vakuenda.
Akavaudza kuti ndaive ndakarara ndikanzwa
vofamba kuenda, tevere sound yemota ndiko
kuenda kwavakaita. Ndakasara ndichimuka
ndikaita basa rangu rekuchikoro ndakagara
nedivi kuzasi kwaipisa uku. Pamasheets
paitove neturopa twekusvuuka ndaifanira
kusiya futi ndawacha ndisati ndaenda
kuchikoro. Baba vakabuda pandaive
ndakuyanika masheets tikakwazisana vakaita
zvavo zvekundidenha vachiti mai vavo.
Ndaibva ndanzwa kushaya zvekuita chaiko
nehasha asi ndaigovadii hangu. Ndakasara
ndichigadzirira kuti ndibude ndikaonekana
naaunt ndichivati ndaizodzoka zvekumatwelve
kana kumaone. Foni handina kuenda nayo
kuchikoro ndakatoisiya mumba yakadzimwa.
Vanhu vakanetseka nekunditsvaka kusvika
pakutuma baba kuti vatevere vazoona kana
ndaive right. Baba vaisakanganisa zvavo
panyaya dzechikafu vainditengera chero tiri
kumba vakangopinda mutown vaitouya
vakaremerwa. Ndipo pega pataiwirirana ipapa
uye ndaisada kuti vakaenda kwavanenge
vaenda vanonoke kudzoka. Vakasvika tave
pedyo kupedza zvedu saka vakandimirira
ndikazovaona ndabuda. Vanhu vaive vaenda
kuSouth-Africa vainditsvaka kozoti kumba
kwedu kwaive kwabva shoko rekuti Paida aive
abatsirwa. Taiziva kubva kare nakare kuti
aizoita mwana musikana sekutaurwa
kwazvakaitwa nadoctor. Ndakavaudza kuti
foni ndakakanganwa kumba ndakatozozviona
ndave kuchikoro. Driver wangu akasvika
akanzi nababa aende hake ndivo vaienda neni
kumba. Vaiti pavakafonerwa kuti vanditevere
Innoe aive akutoda kudzoka kumba achifunga
kuti pamwe ndasangana nematsotsi
sezvakamboitika paya naLoca. Vaitaura voga
baba road yese ini ndaive ndakazvigarira
kumashure ndisingadi kana kusanganidzana
nechiso chavo chaindibhowa. Takasvika mama
Mapanzure vachangobva kufonera aunt
vachibvunza kana ndaive ndasvika.
Vakazogadzikana ndavafonera back
vakakumbirisa kuti ndisaite zvekufamba
ndisina foni vaive vasisina kugadzikana
muhana. Ndakakumbira ruregerero vakaseka
ndokuti “ko imhosva here mwanangu
zvinowanikwa izvo ini pano ndakanganwa
mamwe mapaper andange ndabatiswa
nababa vako ndivo vatomaona pabed
vakandifonera.” Takataura ndichibvunza kuti
vaive vafamba sei uye vaive vawana mbuya
mai Natie varisei. Ndakafarira kuti vakawana
vachinzi vaive vave nani uye kufamba vaive
vakugonawo kukanda nhanho. Vana mbuya
mai two pavakaenda vakatowana vari munhu
aiita zvekusimudzwa. Mwana takamuona
pamapicture raive zimurungu chairo sevamwe
vese vaive vakatora hutsvuku hwambuya
vavo. KwaChitimbe kwaizvarwa vana
vakanakazve sematwins ambuya mai two
waishaya kana pekupomedzera kubva kumiviri
yavo, matauriro, chiso, bvudzi nekufitwa
nehembe. Musikana ndiye aitoda
kutikananganisikei nemiromo yambuya vake
yaakatora. Vana Natie naFelie vaionekwa
chose kuti vaive vekwaChitimbe asi vaive
zvakare nekakurerekera kumusha kwaamai
vavo.
Innoe akandifonera ndichangobva kutaura
namama ndikamuti “unodei hako?”
Akarwadziwa zvikanzi “handina kumbodya
kubva kuseni ndiudzewo kuti ndakutadzira
papi ndikumbire ruregerero.”

Ini: handizivi kuti kana munhu akanganwa foni


mumba zvinoreva kuti atadzirwa here?

Innoe: handisi kutaura zvekukanganwa foni ko


pawaichema last night ndikaedza kuti sorry
hauna zvawakataura.

Ini: ndakakuudza wani kuti waindikuvadza iwe


ukaramba uchiita nharo saka waida ndiite sei?

Innoe: hausati wambozviita zvakaitika zvacho


last night chii chakakonzera? Une stress here
kana pane zvauri kufunga unofanira
kundiudza toonesana nekuti condition yako
haibvumiri kuti ugare usingafari babie.

Ini: iyoyi condition ndiyo yakutondipa stress.

Ndakangoerekana ndataura akakanuka asi


chaive chokwadi hacho ndaitoona kuti
nhumbu yaigona kutondipinza mujeri chairo.

Innoe: are you regretting babie kuti une


nhumbu?

Ini: (ndakashingirira kumuudza ini) taifanira


kuenda kunoona vana sekuru kuBulawayo
now pamwe tichazoenda kana nine months
dzakwana. Ikoko handichatauri hazviite
ndifambe nekuda kwecondition yangu. Paida
apona handikwanisi kuenda kunomuona
nekuda kwecondition yangu. Zvinorwadza sei
kuziva kuti handikwanisi kushanyira hama
nekuda kwecondition yakakura kudai? Ivo
vanouya vasinganeti ko vachandiita munhu
akadii havo, kungobvunzawo zvangu?

Innoe: ndange ndichifunga kuti wange


wakatsamwira zvakaitika zvekuti I forced
myself on you.

Ini: pamwe zvakakonzerwa necondition iyoyi


ndogoti chii?

Innoe: usadaro Purity unondirwadzisa, voice


rako riri kutonzwikwa kuti uri kuremerwa.

Ini: handisi kuremerwa ini ndangotaurawo


zvawabvunza chete.

Akafemereka achiita “but-but-but”


kasingaperi ndikaramba ndakateerera hangu.
Ndaona nguva ichifamba ndakamuti “bye
tozotaura now ndakuda kuita basa rangu”
ndichitodimbura call yangu. Zvimwe zvacho
zvinenge zvichitoda kuti utaure unzwikwe
kwete kungoti chikuru wasiirwa mari wototi
life iri bhoo. Kunzi mhuri ihama handiti mbuya
mai Natie vaitadza kufamba ava vaitoda ruoko
rwehama kuti dzivabatsire kurera mwana
kusvika vasimba? Hapana anoziva
ramangwana rake kuti rinenge rakamira sei
saka kugara wasakura nzira yakanaka
kwakangonaka. Taive tatove mukadzi
nemurume izvi zvekuhwanda chokwadi
nekuudzana mashoko erudo zvaisashanda
zvachose. Chandakaita hangu ndechekuti
handina kuzoramba ndakaomesa moyo
takapedza weekend takutaura zvakanaka
tichiyemerana. Mama havana kuzodzoka musi
weSunday sekureva kwavaive vaita vakamirira
kuti mbuya mai Natie vatange vanotariswa
kuchipatara musi weMonday. Vaida kudzoka
vachiziva kuti urwere hwaive hwamira papi
kwete kuzoudzwa kuti hazvina kumira mushe
ivo vatosvika kumba.
KuVic-falls ndaifona mazuva ose waive mufaro
wega-wega mwana waPaida ainzi aive
azvarwa ari mutano. Mukuudzwa
kwavakaitwa kuchipatara hanzi aikwanisa
kuyamwisa kusvika paanoda chikuru achinwa
mishonga yake zvakanaka asi mama vakati
zvaive zvakanaka kuti angoitak exclusive
breastfeeding. Paida kana aizoita hake
misikanzwa taitoti ishavi mama vaive vazvipira
kumira naye kusvika akukwanisa kumira
nemakumbo ake ega. Ipapa vakatoti aifanira
kudzokera kuchikoro muna August aenderera
mberi nezvidzidzo zvake.

End of chapter 26

Love you guys

*#love you guys#*


CHAPTER 27

*Innocent*

Musi wakatanga Purity kuenda kuchikoro


ndakanomutora kumba masikati adzoka
ndikaenda naye kubasa. Handina kana
kuwana nguva yekugara muoffice
ndakatotangirira kufonerwa ndiri munzira kuti
ndaidiwa nemacustomer angu.
Zvakamubatsira pakuti akawana nguva yekuita
assignment yake ini pandakazopedza
zvandaiita ndakawana arara pacouch. Zuva
raive rakuda kudoka so ndakasvika
ndichimumutsa kuti tiende kumba. Muoffice
ndaive ndarongedzerwa zvakanaka
ndakamutenda nekuchinja kwaakaita set-up.
Nyaya dzatakaenda kumba tichitaura
ndedzebusiness vanhu vandakaona ava vaida
kuti paizotanga imwe season yekurima ndinge
ndakastocker fertilizer yakawanda vove
maregular customer angu. Macompany
mahombe akaita sana Cottco neimwe yainzi
yemaIndia zita racho hanzi Graffix kana
Graffax handichazivi zvangu but ivava vaitoda
kuti ndive supplier wemainputs avo
avaikweretesa varimi vavo. Akandipa advice
yandaive ndisina kubvira ndafunga
ndikamunzwisisa. Hanzi “mabig companies
aya ari pasi pegovernment anonetsa kuti
haadi kubhadhara mari cash vanokoshesa kuti
vawana profit zvakadii. Haasi ese mainputs
avo anobhadharwa nevarimi vavo so ukaona
vakati vanozokupa mari kana vatenga cotton
ndiwe unonyura. Unofanira kudrafter
payment plan inovasunga kuti vaite
zvamunenge mawirirana.” Vaidzidza kune
zvemutemo madam I was impressed
ndaitozodzidza zvakawanda kwaari. Takasvika
kumba vana mama vatopedza kubika so
takatanga tanogeza tikazouya tovajoiner
patable takudya. Zvemufaro handichatauri
taive mhuri isina zvematare nekugara
tichinetsana zvese zvedu taitaura nekuita
mumufaro. Iwo mufaro waive wawedzerwa
negood news dzataive tichangobva
kugamuchira pamazuva mashoma aive
adarika iwaya. Ndaitoshuvira kuti dai nhumbu
yaingoti kubata nekutobudikira zvino
padumbu paive pachiri flat. Ndaivaviwa
nekutenga maternity wear kozoti hembe
dzemwana wangu uyu aizochena nenzwara
chaidzo. Husiku ndairara ndakaisa maoko
padumbu ndichiti pamwe ndinganzwe
kukaviwa. Mamawo vaiita sevachabereka
muroora wavo ndivo vaimuendesa kuchikoro
nekunomutora. Ndaitarisira kuzoita take-over
kana vaenda kuSouth-Africa sezvo ndakagara
ndatsidza mumoyo kuti zvekuti mukadzi
wangu afambe malong distance ndaisada.
Zvavaironga namama kuti vaizoenda vese
kunoona mai Natie kwaive kurota.
Zvakangozomuka zvekuti pane zvaidiwa
kubasa zvikandimanikidza kuronga zvekuti
ndibatane nasekuru Nigel kuenda kuSouth-
Africa. Pandakaudza Purity akaratidza
kubatikana apa ndakamuudza husiku zvangu
ndichifanira kumuka ndichienda. Mama
vakamboda kutaura ndikavavhara ndaiziva
kuti mashoko avo aigona kuzondivhiringidza.
Kazhinji vaiti vakapindira pakati pangu
naPurity vaibva vawinner. Zvakaitika musi uyu
zvakandirwadza ndikange ndambofunga
kuudza sekuru Nigel kuti ndakusara hangu.
Aive ajaira zvekufadzana mubedroom dzimwe
nguva ndini ndaitochema-chema nemaneto
ekubasa iye achida. Pese pandaitamba naye
ndaitowana ave ready ndopinda zvichitinakira
tese asi apa ndakawana achiita sedombo
kuoma. Ndaiziva zvazvaireva ukaona mukadzi
asingatote pabonde its either hauna kumupa
romance yakakwana kana kuti anenge
akatsamwa. Ini ndaive ndatogadzirira
kunakirwa saka kuti ndichidzima moto
waibvira pakati pemakumbo angu zvaisaita
ndaigona kupedzisira ndakurwadziwa. Bonde
roda mukadzi achichemerera nekunakirwa
kwete achichema kurwadziwa zvinosunga
hurume kuti husabude unobva waita nguva
refu kupedzisira wakuvadza umwe wako kana
kuti ukasha hunopera yorara. Ini ndakademba
kuti ndirarirwe hangu asi zvakaramba asi
kutomera makumbo kumira zvakasimba
zvakazoita kuti ndimukuvadze. Ndakatoona
neropa pamasheets ndikaziva kuti kuchema
kwake kwaisave kwekuyema airwadziwa.
Kusvuuka ndaikuziva kwairwadza handiti
ndakazomborovha kubasa musoro uchiita
sewaive wabaiwa newaya ine rust. Chimwe
chakandirwadza ndechekuti takabuda kuseni
ndisina kutaura naye pamwe dai akandiudza
zvaaifunga ndaizonzwa kugadzikana. Munzira
ndaitaura namama zvekuvhara kuti
vasabvunze zvakawanda ndaivaziva vaigona
kureader face yangu vondiudza kana
ndichifara kana kuti ndiine zvinenge
zvichindinetsa. Takanowana sekuru Nigel
vasvika tikangogara nguva diki-diki
ndokukwira hedu. Takafamba zvakanaka
tikawana sekuru Farai vakatimirira
vakatiendesa kumba. Ini pese apa ndaive
ndisina kunzwa kuti mwana akapiwa zita
rekuti ani. Akatozoti auyiswa kuti timuone
mbuya mai Farai vakati “vauya sekuru vako
Miracle nhasi ndini ndiri panyanga mainini
vasiiwa.” Takaseka tese nasekuru Nigel aa
kutumidza mwana kuti Miracle vaiedza kudii
baba vacho ndakazvishaya. Hatina kugarisa
mumba takabuda takunotandara kuseri
kwemba kupa vana mama mukana wekuita
makuhwa avo. Mbuya mai two vaibatsirana
namother kubika takangovaona pavakauya
kuzotikwazisa chete.

Ini: sekuru mungati mwana Miracle here asi


akatumidzwa nambuya vake?

Farai: it’s a miracle shaar vana vakawanda


vanosungwa neumblical cord vanofira
mudumbu kana kufa vachizvarwa. Aiitwa sona
every month mai Natie hazvina kubvira
zvaonekwa ipapa zviri kundinetsa kuti
vaitarisa vakatadza here kana kuti machine
wakafa zvawo.

Nigel: miracle inongoda ari wekutanga pamwe


wamuita after a long struggle. Imagine
achibvunzwa nemababie kuti why wakanzi
Miracle, muri vangani kumba kwenyu?
Wowana kuna Natie nemukadzi waTineyi
usade kuzotishungurudzisira mwana akura
iwe.

Ini: Nathan riri nani vongoita mazita akada


kufanana nevamwe vake.
Nigel: Nathan weyiko newewo ko rangu
warishorei ndosaka wakamitisa.

Ini: (ndakaseka) sekuru mune makuhwa


akahwandira matoremerwa kuti moudza
sekuru Farai sei.

Farai: asi akatogohwesa bhora?

Nigel: ibhiza iri.

Farai: (vachindibata ruoko) shekeni henzi.

Nigel: wabva wataura sagogo.

Farai: kutovafunga zvangu dzondinakidza


dzimuface dziya.

Nigel: wazoti chii shaar nezita haa Miracle


rongoda haro kuiswa pabirthcertificate
nderedu isu vana baba vake.

Ini: rangu ndiro rinoita inzwai Naison, Naiton,


Nathan zvobva zvaenderana.

Farai: dad vakambotaura havo kuti Nathan


ti….
Ini: oooh mazvionaka, we have a taste
pamazita apa isu vana baba venyu.

Nigel: okay-okay Nathan kwacho ufare.

Ndakaenda mumba ndikanotaura zvezita


hapana akapikisa saka akanga akunzi Nathan
“Miracle” Chitimbe. Mufaro wese wakapera
pandakati ndichitaurawo nemudzimai wangu
ndimuudze kuti taive tafamba sei uye ndaida
kunzwa kuti aive sei semunhu akararira
mumisodzi. Phone yaienda kuvoicemail
straight ndikamboti pamwe ndaive ndabaya
number dzisiri idzo. Ndakadzokorora
kasingaverengeki kusvika ndanokumbira
number kuna mama vakada kundipa
mibvunzo ndikavati “kana musina regai
ndigopiwa nambuya mai two.” Vakandipa
ndikafona asi dzaingove idzodzo dzaienda
kuvoicemail. Ndakabatwa nekutya kukuru
pandakafonera driver akandiudza kuti aive
amuendesa kuchikoro akanomusiya achipinda
gate. Akatishaisa mufaro Purity vanhu vese
vakanga vakungobvunzana mibvunzo isina
mhinduro. “Aonei, asangana, nei, ndianizve
angadaro achimuteverera zvataiti mbavha
dziya dzakavharirwa, kuti pane angange
achifunga kuita mari naye
nekumukidnapper?” Dad pavakaudzwa
vakasiya zvebasa ravo vakati vakunomutsvaka
ndivo vakatozoita kuti tigadzikane muhana.
Ndaive ndakatsamwirwa, izvo ndaizviziva
hangu nekuti ndaive ndamumanikidza kuita
bonde asingadi. Haana kana kumbobatirira
nekudzorera romance zvataimboita amwe
mazuva ose ekuti taizosangana muviri wese
waibva nemafeelings. Kupinda kuzasi kwake
kwairwadza aive akaoma asi ndakatadza
kuzvidzora ini ndepapi pandaizoenda out for
days ndisina chandadya. Ndakaita ndichiti
pamwe aizonzwa kuda tave pakati zvikaramba
ukuwo ini kuti ndichirasa mbeu zvakanetsa
kusvika ndakurwadziwa. Pakutaura kwatakaita
ndakaona kuti aive nezvakawanda
zvaimurwadza mumoyo zvimwe zvacho
zvaakataura dzaive chokwadi mukuda
kumuratidza rudo pamwe pacho yaizove
abuse chaiyo. Ndakakumbira ruregerero kuti
tisarambe tichinetsana pafoni ini ndaizove
nerwendo rwekuenda kuCapetown zvaive
zvisina kunaka kufamba usina mufaro.
Tainotaurirana tadzokera asika ndipo
pandaimbomuudza zvangu achinyara-nyara
nhema kuti aifanira kundibudira pachena
pane zvaaida kuti ndimuitire iniwo ndotaura
zvandaida. Kubva ari musikana waiti ukaisa
topic iyoyo mudariro aipindura kuti
“ndongotevedzera zvaunoda iwe.” Ini
ndaitotaura ndichiti ndiri kugona asi zvaaive
abuda pachena kudai zvinhu zvaizochinja.
Hatina kuzonetsana zvakare aitofona pese
paaiwana mukana totaura, kana huri husiku
sex yaitotsva pafoni chaipo kusvika muto
werudo wabuda. Aive akunakirwa Purity
ndaitomboti ndikafunga kuoma musoro
kwaaive nako asingadi kana kubatwa ruoko
ndaibva ndaseka. Weekend yatakapedza tiri
kwasekuru Farai yakave yekutenderera
tichiona nzvimbo pamwe pacho taitoenda
kubasa kwavo. Kumba kwaibhowa haisi nyore
kugara pamwe namai vemukadzi haumbonzwi
kusununguka. Sekuru Farai vaiti vaibatsirwa
nekuswera kwavaiita kubasa vodzokera
kumba husiku saka pamwe vaitomboita
mazuva vasina kuonana namama vambuya
mai Natie. Ivo mukutaura kwavo mbuya
Matambanadzo vanenge vaive vakudawo
kudzokera kuZimbabwe. Pane hama yavo
yavaiti yairwara vaitofanira kusvika vachienda
kunoiona.
Monday takaparadzana namama nambuya
mai two vachikwira kudzokera kuZimbabwe
ini nasekuru Nigel tikabata flight yekuenda
kuCapetown. Takataura nadad Tineyi ndivo
vakazotigamuchira vakatiendesa kumba. Vaya
vanoti life inoda kushingaka havanyepi
zvenyu. Ndakangofunga hangu life yamama
Felie kusvika vambosiyana nadad asi nekuda
kwekubvuma kugadziriswa vaive vakugara
zvakanaka nevabereki vemurume wavo.
Takawana vachiona masermon paTV mwana
achitamba nasekuru vake vairatidza kuti
vainzwanana. Mama vakambondimbundira
ndokuti “takambozowana mukana
wekuonana here paya kumuchato
makangotiza musina kuoneka? Arisei hake
muroora wangu madii kuuya mese musadaro
veduwe hamudi kufambira vamwe.”
Yekufambira hama iya yaive yataurwa
naPurity ndakaona sekuti airevesa. Vamwe
zvavo vaisataura vachitya kunzi vanotaurisa
asi mumoyo vaitozvifunga chete.
Ndakavavhara-vhara vakatomboita nharo
vachiti “ipapa pamakauya kuhoneymoon
maidei makangosvika mukarara zuva rimwe
zvaro mukadzokera. Kuziva pagere hama
kwakakosha kwete kwamuri chete asi
anogona kuita hama yake inouya kuno
kuCapetown otorairira kuti musatambure
ndina vamwene vangu vanogara pakati.”

Ini: ichokwadi mama tichauya zvedu kungoti


akamborwara-rwara mazuva akapera ayo.

Mama Felie: ndakanzwa aunt vachidaro, ave


sei zvake?

Vakasumuka vakanobatsirana kutigadzirira


chikafu pese apa sekuru Nigel vaive
vakanyarara zvavo. Vakatozotanga kutaura
patakabuda panze dad vachiti
vakumbodzokera kubasa taizovaona manheru.
Mama Felie vakauya nemakey emota zvikanzi
nasekuru Nigel “makatoenda here kunoona
mwana?”

Mama Felie: tichaenda kana vana mama


vadzokera (vakabva vaseka vachipinda
kumba).

Dad vakaenda zvikanzi nasekuru Nigel


“zvandinetsa kuti Felie akazotanga kufarira
mazihembe mazihombe rini.”
Ini: vakuraka nhai uye vanogara nevanhu
vakuru.

Nigel: ane nhumbu uyu, unogona kutowana


mai two achizviziva.

Ini: ko mbuya vanopinda papi apa?

Nigel: kungotaura hangu kuti vanoudzana


zvese hapana pandingaiona iniwo zvangu iye
asati audzwa.

Ini: ndosaka mwana ange achipiwa mukaka


mubhotoro. Mwana wavo akasimba uyo
handitombooni chakaipa ini. Inika sekuru
munhu achingopona chete mwana
haayamwiswe anongogara achipora totoita
umwe.

Nigel: zvaachaurayiwa mwana wevanhu kkkk.

Matauriro avakaita aive fun zvaiita sekuti


aizourayiwa nayo chero havo vakaedza
kutsanangura kuti nhumbu rwaive rufu.
Takapinda mumba takunodya tikawana mama
Felie vamonera zambia nepamusoro
pemazamu. Vaingozvinetsa havo vachiedza
kuhwandisa asi vaive vatoonekwa kare.
Mwana akatanga kuchema vakanzi nasekuru
Nigel vamuyamwisa ndokunyepedzera kuita
sevaive vasina kuzvinzwa. Chandakaona
hangu ndechekuti sekuru Nigel vaitorwadziwa
nekukurumidza kwakaita mama Felie kuita
nhumbu asi vasingatarise zvavakaita ivo vese
nasekuru Farai. Zvavo zvaitove worse
tichitarisa kuti mbuya vaive nematwins.

Mafambiro atakaita apa akandirwadza


ndikange ndafunga kudzokera kuZimbabwe
kwacho ndisina zvandaida. Kwese kumashop
kwataienda vaivimbisa kuti stock yaizouya
hapana aitaura zvemazuva mashoma asi
vamwe vaitoti week chairo. Business ndaida
chose kuti ribudire asika ndaive
ndichangoroora ini kurara mazuva akawanda
kudaro ndiri kure nemukadzi wangu
zvaindiremera. Taitaura pafoni nguva dzose
chero pandakamuudza machallenges andaive
ndakatarisana nawo akatondisimbisa. Aidaro
hake nekuti best friend yake yaiveko kumba
manje kwandiri zvairema ndiye wandaive
ndawana kuti ave shamwari yangu yepamoyo.
Nguva yakaita seyaive yakamiswa isingafambi
takamirira shop yaive yavimbisa kuti
taizowana zvese zvataida musi weFriday.
Sekuru Nigel zvavo vakanga vazviwana apa
vaitoitira ini uye taida kuzoshandisa mota
imwe chete kuti zvitakurwe kuenda kuHarare.
Thursday takatora zuva rose kutenderera
mutown tichiita shopping yemhuri. Sekuru
Nigel vakaita sevachazviitira nekuseka
handichatauri hangu kuti ndaitengei
chavaifanira kuziva ndechekuti mwana wangu
aifanira kuuya ndakagadzirira zvese. Friday
takamuka kuseni tichifonerwa kushop kuti
zvinhu zvaive zvasvika husiku. Takaenda
tichinotora truck rekutakura tikawana vachiri
busy kuverenga apa taive tatoronga kuti
zvinhu zvikatakurwa isu totobata ndege
toenda. Kunonoka kwavo kwakaita kuti truck
redu risimuke kwasviba kumapast eight isu
taizodimbudzira Saturday kuseni. Takanorara
tarongedza ndikafonera mama kuti
vazondigashira kuairport. Purity ndakarara
ndamuisa mumood aifunga kuti ndaitamba
kuti ndaida kunomupa four rounds dziri
strong. Akaseka akati “watononoka kuuya
unofunga kuti ndokutya here ini?”
Kungotarisa mapicture ake pafoni
kwaikonzeresa muhembe vakaita havo mama
Felie vakatipa umwe neumwe room yake
pakurara otherwise sekuru Nigel vaionerera.
Ndaingoraraka ndakacharger husiku imwe
pillow ndaitorara ndakaimbundira
ndichiimagine mai vevana vangu.
Kuairport takaperekedzwa nadad vakanotisiya
takwira uye takakwira tatanga tanzwa
mafambiro aive aita truck redu. Hatina
kuzodzokera nekunana sekuru Farai
vakazvinzwisisa kuti taive tagarisa basa zhinji
raimira kana tisipo. Sekuru Nigel vaifara kuti
vaizonokwanisa kupedzisa zvishoma zvaive
zvasara kuti lodge rambuya mai two ritange
kushanda. Zvekuvhurwa zviri official havana
kutaura havo vaiti vaizozviona nekufamba
kwenguva. Iniwo ndaive ndakuda kuvhura
company zviri pamutemo manje nekuda
kwenhumbu yedu yainzi yaifanira kutanga
yabvisirwa mbudzi zvaireva kuti
zvaitozobudirira apona Purity kuitira kuti
mama vake vakwanise kuuyawo. Ndaisatenda
zvese izvo kwaitove kuteerera zvangu
vabereki chete. Ukaongorora zvinoitika
musociety matigere unotoona kuti vakashaya
matauriro chete kuti vanoda kuti mukwasha
azivise vabereki vemukadzi kuti kwave
nenhumbu aine chaakabata. Chero dai vakati
mari vanhu vaingobvisa kana vasinawo
vaitsvaka zvekuvapa kwete izvi zvekutozoita
sekuti paitofa munhu.
Takawana takamirirwa namama nambuya mai
Two vaive vauya kuzogashira sekuru.
Kwainaya mvura yechando iya isina hukasha,
isinganyorovedzi hembe but waitobvunda
chete nekumerera tumapundu. Weather
yacho yaida kuti ndiwane mukadzi ari
mumachira totamba kusvika miviri yedu
yakuyerera ziya. Takaparadzana vamwe
nevamwe vachipinda mumota mavo sekuru
vakati vaizondifonera kana vafonerwa
nadriver. Ndakanzwa moyo pandakaona
sekuru nambuya vachigashirana nekiss handiti
dai mama vakauya nemukadzi wangu
ndaitobva kuairport ndakamuzembera
ndichimutsa hasha dzese zvaibva zvanoperera
kubathroom achindigezesa. Munzira taitaura
mafambiro atakaita kuCapetown vakandipa
advice yekuti ndaifanira kutanga
ndaconfirmer first secustomer kuitira kuti
zvisaitike zvakare zvekufambira zvinhu zvisimo
mustock. Dad vaive vatoenda rwendo rwavo
nebasa kuTanzania vakadzoka. Ndivo
vakativhurira gate ndikaburuka
ndichinovambundira ndaive ndavasuwa
neweek imwe chete iyoyi. Mama
vakanoparker mota vakaseka vachidzoka
kwatiri ndokuti “muri panze baba Innoe
nechando ichi asi marwa namai venyu?” Taive
takuziva kuti naPurity vaisagara panzvimbo
imwe but vakati vaive vabuda vachitarisa
vanhu vairova-rova gate. Zvaindibhowawo
neni vanhu vekutengesa vaizonyanya veduwe
yaitoita semhosva. Takatakura mabag kupinda
mumba tikanowana Purity namother vari
kukitchen akabva adeedzwa namama.
Ndakanzi “makadii” akatarisa pasi kunyara
nhema iye aiseka nepaside pemuromo. Mama
kuzoshingirira kuti ndidaire hanzi “hauna
kunzwa here uchikwaziswa?” Ndaiti chii
zvaida tiri pedu tega taikwazisana zvinonaka.
Dad vakapinda Purity akasimuka kuda
kudzokera kukitchen asi ndakamuti atore
zvinhu zvedu anoisa kubedroom uye andiisire
mvura yekugeza. Ndakaudza dad mafambiro
atakaita ndakuda kusimuka vakakumbira kuti
ndimbogara pasi zvishoma. Mama vakada
kusimuka vakanzi vagare ndikaona vakurova-
rova pachirebvu pavo netugunwe ndikaziva
kuti vaive nenyaya.

Dad: kumira-mira panze kwange kuri


kunonokerwa nekudzoka kwenyu.

Mama: asi maita rwendo?

Dad: kwete handina rwendo asi ndaona


zvakakosha kuti nditaure nemi mese muri
two. Handina zvandataura nemuroora
handina zvandataura nani zvake asi izvi zvabva
mumaonero angu. Ndozviziva kuti mai Innoe
mwana wenyu munomuda chaizvo iyewo
achikudai chaizvo. Hapana anotarisira
kudambura rudo rwemubereki kumwana but
hamuoni here kuti you are overdoing it?
Ndakanyarara pakatanga muroora kuenda
kuchikoro muchiti maida kumboona kuti
haazorwari here. Zvaive zvakanaka
takazvikurudzira chose nekuti ndimi mave
amai vake vari pedyo naye. Pakunzwa
kwandakaita rwendo rwekuSouth-Africa
zvaiita sekuti mai Innoe maizoenda
naMasiziba zvinova zvaive zvakanaka ndiyo
shona chaiyo yatinoziva yekuti vamwene
vanoenda nemuroora kumusha kwavo
kunoratidza vana sekuru. Zvakangochinja
husiku ndikanzwa kwakunzi rwendo rwave
rwenyu muri vaviri ndikashamisika nazvo.
Chazondipa kutaura ndinhasi uno mabuda
mai Innoe kunogashira Innoe muchisiya
mukadzi wake achadzidza rini kuti kana ane
zvaanoda haamhanyire kuna amai? Aifanira
kuudza mukadzi wake kuti ndosvika
mangwana iye muroora ndiye okuzivisai kuti
mama Innoe ari munzira handizivi kuti
anonotorwa nani kuairport. Handisi kuti
zvakaipa musanditore nepamwe zvenyu asi
ngatidzidzisei mwana wedu chinzvimbo
chaave nacho sababa, semunhu akaroora.
Inzendo ngani dzandinoenda nemi mai Innoe
muchinosara henyu mulodge ndichifambisa
mameeting angu kusvika zuva rekudzoka
rakwana? Zvekuti Masiziba anoendeswa
kuchikoro nadriver hazviite takaona zvakaitika
pano ndiani anoziva zviri kunze uko? Rudo
kuchengetedzana zvinova zvinotangira ipapa
pakuendesa umwe wako kuchikoro nekudzoka
kana usipowo ndipo paunoti mama
ndibatsireiwo. Mama varipo pakubatsira
chete mukasadzidza kuronga pamwe
nemudzimai pamaearly stages ewanano
yenyu zvinopinda muropa wotozoona
sezvakanaka. Akura Innoe ndosaka makaona
pakanzi mombe ngadziendeswe kumusha
kwaMasiziba ndakati handimbopindiri zvekuti
patsvakwe vanhu vanobhadharwa anofanira
kuziva agozodzidzisawo vana vake.

Mama: yaa ipapo mataura chokwadi pfungwa


yekuti vana ichiri yakanditsikirira zvakanyanya.

Dad: vasiyei vaite mamistakes avo then


mozopindira muchivagadzirisa. Mukaramba
muchiti vangawira mugomba momira mberi
kwavo havafi vakariona gomba racho.
Mototenda mwari kuti muroora wenyu
mwana mudiki haaite ongororo yezvinhu
zvaasingazive. Dai anga ari munhu
akambopinda mumba maidei kutaura kuno
muchiridzirana mutsindo pano nekuda
kwenyaya yekuBrooke. Makanotaura naInnoe
kuseri iye asingazive mukange matodana vana
mbuya kuti vazovategesa izvozvo chete
zvinopa mubvunzo wekuti asi ndinogarwa
matare here? Chero muchironga zvakanaka
zvikangove zvezeve-zeve amai
nemwanakomana muroora asingazive
mashoko anobva atanga. Hamheno Innoe
pamwe ndakanganisa hangu.

Ini: (ndakatarisa) hamuna kukanganisa dad


neniwo ndotoda kuti pandaita sekurasika
mondidzora.

Dad: hamufaniri kubvumira padenga mumoyo


muchipokana nazvo neniwo ndiri munhu
handizive zvose ndotodawo kuti mundionese
kana pane zvandataura zvisina kubuda
zvakanaka.

Mama: (vachiseka) hamuna kumbotadza baba


Innoe sometimes ukanyanya kufara
unopedzisira wakuita mamistakes. Inguva
yandakamirira zvakanyanya iyi ndichinamata
kuti mwari dai machindipawo muroora.
Akauya zveshuwa ayewa handidi kunyepa
chero dai ange aripo Masiziba handina kana
chishoro paari. Iyi yemuzukuru ari munzira
yakabva yandiwedzera mafaro ipapa tiri
kuSouth-Africa ndofunga akatoti mama
vakundinetsa. Ndaifona poga-poga
pandaiwana mukana ndichida kunzwa kuti
aive right here uye adya here.

Dad: (vachiseka) ini wakangondifonera katwo


chete.
Mama: rave godoka kuti ndaifonera chikomba
changu kkkk. Ayewa ndiko kuti musha kana
takadai tinotsiudzana pachedu tisati taita
zvinonyadzisa kunze uko.

Mama zvavo vakangobatanidzirwa panyaya


yekuenda kuSouth-Africa asi vakamboda
kunditsiura ndikavaendera mberi. Havana
zvavo kuzvitaura kuna dad vakagamuchira
nyaya sezvairi vakavimbisa kuti taizoyedza
kuchinja zvese zvataiita. Ndaizvida izvi
zvaiitwa namama nadad kuti pese pavaitaura
nyaya hapana aisara akatsamwa vaingoitaura
yoperera ipapo painenge yatangira.
Vakatozoenda kukitchen kunopedzisa kubika
namother uyu Purity vakati auye kubedroom
kwandaive ndichigeza. Akatopinda ndave
mubathroom ndazadza muviri wese
nekumeso nesipo ndaisakwanisa kuona.
Ndaisanzwa zvakare nekuti ndaiwedzera
mvura inopisa mutub. Ndakangonzwa
ndabaiwa pakati pemagaro ndikavhunduka
ndichinotsika mvura ndokutsvedza. Dai asina
kundigamha ndaidei ndakadonha
ndikanorovera kumadziro nemusoro. Akaseka
akasvika pakugara pasi zvikanzi “ndakutonzwa
mabayo zvaunotya nhaiwe asi
wakambopindirwa nembavha here?”
Mavhundukiro andakaita ainyadzisa zvekuti
ndakashaya kuti ndopindura ndichiti chii.
Akazouya pandaive akati “pinda mutub
ndikugezese ndiwo mubhadharo
wekukuvhundutsira kwandaita.” Kwaisave
kuda kundigezesa uku asi kuti yaive way
yekuti ndimupe zvaaida. Munhu kungotangak
nekunanga pakati pemakumbo kunogezesa
manje pakabva pasimuka ndikamutarisa
mumaziso ndikaona achinja kuita seaive
apindwa nemavhu. Ndakamubatisa nemaoko
ese ……..

End of chapter 27

Love you guys


CHAPTER 28
*Purity*

Ndakafara pandakadzoka kubva kuchikoro


ndichiwana mama vauya kubva kuSouth-
Africa. Panguva iyi handina kana kurwadziwa
nekusara kwakaita Innoe ndaive ndavasuwa
mama pazvese-zvese. Kuseka kwavo, rudo
rwavo especially pavainditi “mwanangu”
ndainzwa voice ravo riine rudo, pakubika
vachindidzidzisa amwe marecipe mukitchen
kozoti rudo rwavo nababa rwaingoyemurika
vaive vanhu vaigara vachifara. Kusara
kwatakaita nababa waitoona wega kuti pane
chiri kushota pavari vanova mama vaiziva
matauriro anoitwa nemurume handina
kumbovanzwa vachisimudzirana voice. Innoe
aive ambondifonera achindiudza zvekuenda
kwavo kuCapetown nekusvika kwavakaita
ndikatombotaura namama mai Nyahuni.
Vakabvunza kuti sei ndaive ndisina kuenda
nana Innoe ndikavavhara nenyaya
yekuchikoro. Vakaenderera mberi hanzi
“taitokutarisirai paholiday manje
zvayakadarika mwanangu tichatouya hedu isu
tisina husimbe hwekufamba.” Ndakangoseka-
seka ndichishaya mhinduro asi mashoko avo
akandirwadza nekuti Innoe ndiye
akakonzeresa zvese izvi. Ndaive
ndakungogamuchira zvese ini kutaura
chokwadi futi kwaizoita vanhu vafunge kuti
pamwe Innoe aisada kuti ndionekwe nehama
dzake. Vamwe vanotofunga kuti pamwe
vanenge vachifungirwa uroyi zvinoitika
veduwe handisi kuti ndizvo havo zvaive
mumoyo mavo. Innoe kuzoda kuswera
achinetsa pafoni achinyatsoziva kuti ndaive
kuchikoro ndakatomuisira message kuti
“ndakumbodzima ndiite zvemabook tozotaura
ndave kumba.” Handina kumirira kupindura
kwake nekuti ndizvo zvimwe zvandaifanira
kutosimba izvi otherwise ndaifoira ini. Innoe
aisakoshesa basa rangu rechikoro ndizvo
zvandaive ndakuona nekufungira. Uchiita
assignment aigona kungouya kuzogara
mustudyroom otanga kutaura nyaya kana
kundibata-bata opedzisira anditakura kuenda
kubedroom. Zvinonetesa zvinhu zviya hapana
pandaimbowana simba rekuti achiburuka ini
ndodzokera kunoverenga. Ndaikuvarira
mukati ushingi hwekumutsiura ndaive ndisina
ndosaka ndakazopedzera shungu mukuchema
musi waakasimuka kuenda kuSouth-Africa
akasiya andisvuura-svuura kuita seaive
asisazodi zvakare kudzoka pakati pemakumbo
angu. Ndakazotaura naye manheru ndave
kumba ndichimuvhairira nekudzoka kwaive
kwaita mama. Ndaive ndavigirwa zvinhu
zvangu kutoitwa mwana chaiye. Ndaisaneta
kutenda nekushuvira kuti ushamwari hwedu
hurambe huchikura pasapinde vavengi pakati.
Innoe akangoseka hake akati “zvako namama
ndakatozvigashira handicharwadziwi.”
Akandiudza kuti pamwe Wednesday
aizodzoka saka kana zvaizofamba zvakanaka
ndiye aizonditora kuchikoro. Aive asati aziva
kuti zvavaive vafambira kwaive kusina.
Tuesday ndipo paakandirwadzisa akatoisa iri
message ndikanzwa kupera simba
mumabhonzo. Zviya zvekuti ndaive ndisina
basa nekusadzoka kwaakaita pakauya mama
aive manyemwe chaiwo. Ndakaswera
ndangove Purity panyama asi mweya
nepfungwa zvaive zvatokwira ndege kutevera
murume wangu. Musatambe neweek rese
asipo apa taive tapanana mafeelings
patakataura tese husiku achindivimbisa
mafireworks erudo. Manheru handina
kumbotandara zvakanyanya nevamwe ndakati
ndaive nebasa rekuchikoro. Ndakamufunga
kusvika pakuchema ukuwo muviri wangu
waibvira moto beans ichitamba kwasa-kwasa
yekuda kupuruzirwa. Kungofunga
paakambondidya kuzasi kwangu amaiwe kani
ndakanzwa sendaive ndaoma mitezo yemuviri
wese. Dai pakaita akauya kuroom kwangu
ndaidanirwa ambulance chete ndikanorariswa
ndakabairirwa madrip kuchipatara.
Mafeelings rinenge rinotori demon pacharo
unotozoti zvapera wonzwa sewapepuka kubva
mumadzikirira anorema. Ndakatura befu
kasingaperi ndikazvibvunza mibvunzo yekuti
“chii change chichiitika, hakusi kuzviregerera
here kwandakaita apa?” Uyu mubvunzo
wepiri ndiwo wandakaisa muhana ndikaona
shuwa kuti ndaifanira kudzidza kushanda
nezvinenge zviripo panguva iyoyo. Aive aenda
mazuva mashanu Innoe asi honai ndaive
ndakuita sendichabata imbwa chaidzo
chibharo nekuda kwezemo. Hazvisi izvo
zvinozoita kuti vakadzi vevanhu vaite
chipfambi here kungoregeredza muviri
uchitonga nemafeelings kudai? Ndakatanga
kudzeya imwe nyaya yakataurwa nambuya
mai Munya pavaindidzidzisa nezvemafeelings
izvozvi. Vaiti “vese vaya vanozorara
nevazukuru, vana bamunini\bamukuru kana
varume veraini inyaya yekuzviregerera. Kwedu
uko kune mukadzi akasiiwa nemurume
achienda kunhamo kwaakanoita vhiki ariko
sezvo rufu rwacho rwaimirirwa kuti chitunha
chibve kuSouth. Pavhiki iyoyo mukadzi
akasara akakurirwa nezemo ndokurara
nemwana wemurume vakaonekwa
nekamwana kavo kadiki ndiko kakazoudza
baba. Ave kubvunzwa akashaya marambiro
nekuti vaive vabatwa vakarara chaiko akatoti
aaa zvinhu zvakarohwa murume wangu
ndaive ndagarisa. Ndakangonzi zamu gaa
ndikapera nemafeelings ndokuzopepuka
yavemo ndokumbirawo ruregerero.”
Pavakataura ndakati mukadzi iyeye aive agara
aine chipfambi nekuda kwekuti ndaisaziva
zvinoita muviri wemunhukadzi kana wabatwa
nemweya wekuda kukwenyiwa. Ndakati
zvakare dzinenge dzaive nyambo dzambuya
mai Munya. Ndakazozvinzwisisa asika pese
panoitika zvakadaro munhu fungawo
vakafirwa, seni ndaive negood example
yaamai vangu kana vakaitawo ayewa
vakagona kuhwandisa isu takangokura
tichiziva kuti vaive vasina munhu muupenyu
hwavo. Ndakaenda kunogeza ndichibvisa ziya
netsvina yandaive ndabuda ndichifunga Innoe
ndaitonzwa sendaive ndaita chivi chikuru
kwazvo. Kugeza kwakandibatsira
ndakangodzoka ndichirara handina kuzozviita
zvakare zvekuzviregerera ndichidana demon
muupenyu hwangu nekuda kwekusafunga.
Innoe ndaitaura naye asi ndaive ndakuziva
kucontroller muviri wangu. Kucontroller
muviri kunoonekwa pakukwanisa kuti kana
musiri kutaura mese unenge uri normal
wozotiwo kana mayemerana zvombobata asi
uchiziva zvaunenge uchiita.
Dai ndaibvumirwa kuenda kumba ndaidei
ndakambowana zuva rimwe chete
rekunorarako ndichimirira kudzoka kwaInnoe.
Ndaifunga mbuya mai Munya
vandaimbonetsa pafoni kuti vauye
kuzondiona kwaMapanzure vachiramba.
Mama vaive vadzoka kuVic-Falls takataura
pafoni vachiti mwana aive right vaimirira kuti
asimbe Paida agouya. Sisi ndivo vakanga
vadarikidza mazuva avo asi takatenda mwari
nekuti vakaitwa operation mwana akabuda ari
mupenyu mama vaitoti vakasiya vabudiswa
muchipatara. Vakanga vaita zvakare mwana
musikana hanzi murume wavo akapembera
chaiko ndikangoti nechemumoyo “nekuno
hakusi kudanwa anonzwa nekuda
kwenhumbu yandinayo.” Hapana wekumba
kwedu wandaive ndaudza nezvenhumbu
ndaitomboseka nambuya mai Munya vachiti
“hausati wakupfira here?” Ndaida kutanga
ndanzwa namama Mapanzure kuti
vaizoziviswa nenzira ipi nekuti misha
zvayakadai ine mitemo yayo yakasiyana
ukamhanya mberi unopisira. Isu taiudzwa kuti
kana muroora wekwaMadondo aita nhumbu
aigara neivhu repachivanze chekumusha
kwedu chaiko. Mwana achingozvarwa asati
ambopiwa mukaka ainwiswa mvura ine ivhu
iroro hanzi kurapira nhova. Yaitova imwe nzira
yekuita dna test kumhuri kwedu iyoyi hanzi
mwana aitoita nhova chete ainzi haasi
wekwaMadondo. Pavaitiudza mama vaitove
nenhoroondo dzezvakamboitika mufamily
zvichitobuda pachena kuti zveivhu zvacho
zvaishanda. Ndaive ndatoudzwa kuti nekuda
kwenhumbu ndaisatenderwa kunoona mama
vangu but isu kwedu kwaMadondo zvaizoitwa
kana yakura. Kuhama dzimwe sezvakaita vana
mainini, maiguru kana vana mbuya
waibvumirwa kuenda mosangana ikoko namai
vako chaiyera chete kunanga kumba straight.
Kushanyirana zvako kwaisanyanya
kundirwadza neniwo ndaisavanzwira moyo
mama hamheno zvandaingoita veduwe asi
mugoona musi wemuchato ndaichema
ndichiti vatize neni. Ivava vaindiperekedza
kuchikoro ndaitosara ndichinzwa mufaro
waindipa simba rekufocuser zvakanyanya
muzvidzidzo zvangu. Gap raInnoe
vaisazovhara zvavo asi vakanditandadza
mama mazuva achifamba kusvika musi
waakati aizomuka achiuya kuZimbabwe
zvaaida aive azviwana. Ndakamukira musi
weSaturday kuchakati zii ndikachinja bedding
ndichiisa masheets matsva. Mumba medu
maive magara makanaka zvamo uye maive
nezvekurongedza zvakawanda zvekuti waiti
ukachinjanisa pekuzvigadzika waibva waita
sewapinda muimba itsva. Time yakabuda
mota ndakaiona but ndakangofunga kuti vaive
baba. Ini ndaitoti transport yekubva kuairport
Innoe aizoiwana kuna mbuya mai two. Basa
rekune amwe maroom takazonoita pakamuka
aunt tikabatsirana kucleaner nekurongedza.
Mama vakanonoka kumuka zvavaive vasati
vamboita kubva ndichisvika pamba apa.
Takazoona kuti ndivo vaive vabuda nemota
time dzakamuka baba vakatibvunza kana taive
tambofonerwa namama. Tese takati hatina
kunge tataura navo asi ini ndakavaudza kuti
time yakabuda mota ndakaiona. Vaive low
baba havana kumboita zvavo zvekuseka-seka
vakafambisa vakabuda panze. Takaenderera
mberi nebasa redu hapana zvatakataura pane
zvaive zvaitika izvi kana uchida kugara
nemufaro pamba pevanhu usaite makuhwa
nemusikana webasa. Munogona kusataura
zvakaipa zvenyu asi munhu anochinja iwe
paunozonzi hamuna kumbotaura here unobva
wati yes tataura but… Nyaya inenge yatopera
isu hedu taidzidza mutemo taitoziva kuti yes
iyes hakuna but kuseri kwemhosva.
Kupinda kwakaita mota hatina kukunzwa
takangozonzwa mavoice ekuseka kudining
hana yangu ikasvetuka nemufaro. Aive auya
Innoe hoo ndiko kwaive kwaenda mama
kuseni-seni kudaro? Ava vaviri vaingoda
kutariswa nemeso moziva mama vaitomboti
“ndasuwa Innoe” ipapa pamazuva aakagara
kuCapetown ndaibva ndavaseka hangu ndoti
“ko paaigara kure kwese uko maidii?”

Mama: paya zvaive nani aive kure


ndairwadziwa zviri nani asiwo ndaizoti kana
zvanyanya ndaienda kunomuona.
Innoe zvaive zvainhu veduwe ko zvaaiita
seaive anowedzerwa runako neCapetown.
Kungomuti baa mazamu akatamba
haichikucha iwo aive akura kudaro ndaive
ndakutokanganiswa chimiro changu nawo.
Ndaida kuwira paari ini zvino paive
nevanyarikani saka ndakangodzikamira hangu.
Ndaitofanira kudzikamira nekuzvidzora nekuti
zvaive pachena kuti ndaizowana nguva naye
manheru. Vakasara vachitaura nyaya dzavo
anenge aivarondedzera mafambiro aakaita isu
taipedzisa kubika kukitchen. Mama
vakangozouya vachiseka zvavo zviya zvikanzi
“ndaona kuchakasviba ndikati
handingakumutsi Masiziba pandaenda
kunotora Innoe.” Ndakanyepa kuti handina
kumbovanzwa asi ini ndaive ndaiona mota
ichibuda zvangu. Vakandibata mapendekete
vakati “mwanangu kana murume abva
kurwendo anogadzirirwa zvekugeza
nezvekupfeka wonzwawo mafambiro aaita.
Handimbonyari kukudzidzisa ndiro basa rangu
saamai uchajaira hako kuti ndine benzi rangu
randinoti amai.” Vakabva vaseka vachitosunga
apron yavo kuti vasare vachibatsirana naaunt
kubika. Ndakaenda nemufaro handiti ndaive
ndabvumidzwa ndaitoda kuti Innoe asvike
achimbondidzvanya mazizamu angu nemaoko
ake aive soft aya. Ndakamboda kuseka
pandakapinda mubathroom ndichiwana
akakotama muviri wese wakazara sipo.
Mongoziva zvinoitika kana munhurume
akakotama mabhora anouya kumashure
seengurube. Ndakati ndibate ndikatya kuti
pamwe ndaizomukuvadza ndipo pandakabaya
pachimusuri haaa ndakaseka zimwana raive
zigwara irori. Munhu kupotsa atyoka achitiza
dai aive mashurugwi amwe atainzwa nembiri
ndaibudamo matama atsvuka nemambama.
Akaseka achindimbundira ndikaoffer
kumugezesa kuti abve sipo ndaive
ndakutokanganisika mafemero ndichiona
chinjumba chepakati pemakumbo ake. Mai
Innoe vaingoti vana vari kuudzana mafambiro
nekuronga business dai zvaidanirwa
wechitatu vaiuya vakafainter. Sipo
takangobvisa kumeso chete kuti asatosvora
ndikabviswa hembe kusara neniwo
ndashama. Taive tisati tasvika pastage
yaimbotaurwa nambuya mai Munya yekuti
vamwe kana vakuda kuita bonde nhamo
dzese dziri mumba dzinobva dzazara
mumusoro. Isu taiita zvinenge zviripo panguva
iyoyo hapana aive nechigumbu neumwe.
Ndakamuitira chishamiso ndikaona ashama
muromo seachapindwa nenhunzi. Ndakaisa
musiki wemwana wangu mumuromo
ndikanhanzva ndipo paakashama muromo
ipapo achikotamira kuzobata musana wangu
zvikanzi “babie unoda kundiuraya here
nekunakirwa?” Kutovhundukira kunakirwa tiri
pavamambo ipapa ndakabva ndanobata
zvigubhu akavhura makumbo kuita semombe
hadzi yakuita wiwi. Magadziko angu aiitwa
kunzi mbaaa nemaoko ese achivhuririra kuzasi
uko kwaibva kwarova mhepo. Ini ndaive busy
chete ndichiita madzidza-dzidza angu ko
ndaive ndakambozviitepi kunze kwekuona
pamavideo iwaya ataisangana nawo mufoni.
Nezvaiitwa naInnoe ndakaona sekuti
ndaigona nekuti ndaiti ndikayamwa musoro
ndombodzika nemuviri wese ndichinoperera
pazvigubhu aibva atanga kufambisa chiuno
zvaaiita zviya kana apinda kuzasi kwangu.
Ndakaudzwa kuti “handife ndakakakusiya
babie chero kukauyei” apa aitaura akandibata
matama kuti titarisane mumaziso.
Akandidhonza kuti ndibvise muromo
pandaiyamwa pake akandikisser. Ndakabvisa
maoko ake pamatama angu ndikamubatisa
mazamu aimi panguva iyi unokanganwa
nhamo dzese kani. Akazonditendeudza
akandipa zviya zvandaida zvekubatiswa tub.
Ndisati ndapindwa akambobata-bata nhengo
dzemuviri achiwedzera huni mumoto kuti
uchanyatsobvira. Ini ndainzwa kuti kuzasi
kwashama zvekwamai shamai kumirira
kugashira vaenzi. Pane kamhepo kaifefetera
ikoko chete ndikanzwa kamira kufamba
paakanoti hodhi pamusiwo. Haana kutanga
nekungoti mvooo kuenda mberi
akambotenderera pamusiwo seaisaona door
ipapo makumbo angu akabatwa nechiveve
ndikabvundisa muviri wese. Ndaiita “awu-
awu-awu” zvinyoro-nyoro seimbwa
yavharirwa zai mukanwa ndaitya kudeedzera
kuti zvimwe tinganzwikwe. Iyewo aiita imwe
sound akavhara muromo seaive akauruma
kuri kutyawo kunzwikwa. Bonde rongoda
makasununguka muchitaura zvamunoda asi
handina kuregretter zvangu ko kuchema
ndokupiwa here kana kuti chakakosha
kukonzongwa woibva. Akazoti seberei mberi
half way ndikatura chirongo ini tichibva
tambomira achindipukuta. Paakazodzoka
pamutambo ndakachiona chakanditakurisa
bag kubva kwaMadondo kuuya kuzokotamira
museve. Innoe aindigona uye aindigonera
hake ndainzwa kushaya pekubata kani kutoda
kupfichuka-pfichuka sedonkey raguta chakata.
Aiti akaenda mberi wainzwa kuti nyangarada
ononyerekedza mukati-kati hamheno kuti
ndiko kuchibereko here kana kuti ainotunga
payi. Aimboita mastroke mana kana mashanu
achitambira mberi ikoko kana odzoka
aibvongodza pamusiwo akabatirira tsvimbo
yake ini ndaibvawo ndatenderedza chiuno.
Kudzidziswa bonde kuya kuwana vadzidzisi
nenguva yacho asi ukanakirwa unongonzwa
wakutumwa kuti uite zvakafanira.
Ndakabudisa uturu kasingaverengeki pamwe
pacho aive asisandipukuti aingoenderera
mberi zvakadaro. Raive dambarefu kani iye
haana kubvira abuda uturu ndakamufungira
kuti pamwe aive amboita ari oga paakatanga
kuuya kuzogeza. Pakazorohwa bhora mberi
zvisina zororo ini ndaive ndavhura muromo
rurimi rwakati rapata seimbwa yamhanyisa.
Ndaimuziva Innoe kuti ukaona aisa musoro
wake pachipfuva pangu kana kuuisa
nechekumusana pedyo nemusoro zvinenge
zvoda kuita. Akagonyerera kumashure
kwangu akandirova last stroke yakaita
mudumbu mangu mudavirire ndikamira
nezvigunwe zvemumakumbo ndiko kurasa
mbeu kwaakaita. Anenge akasvetiwawo simba
nekuti akaita seaive atsvedza kubva
kumashure kwangu akanozorora apfugama
pasi. Wainzwa kufemereka kuti pashandwa
basa guru hapana akakwanisa kutaura
neumwe kwekanguva kusvika kufema
kwapera. Akazondidhonza ndikawira
pamakumbo ake akandibata zvakasimba
ndokuti “thanks babie.” Ndakadzorerawo
favour ndikati “thanks dad” ndichiseka
achibva andidzvanya mazamu akati “iti dad
vanonaka.” Aisanyepa hake asi handina kuda
kumufadza ndakamudira-dira tumambama
ndikazembera pachipfuva pake ndakaisa
maoko angu nekumusana kwake.
Takanyararidzana zvakare achindipuruzira
kumusana achibva azonditsunya akati
“usararaka iwe zvatichateverwa kuchinzi
pamwe vanhu vaya varara.” Ndakavhunduka
ndikanzwa kunyara nguva yataive tatora
takavharirana yainyadzisa vana mama
vaitozvibata kuti pane zvataiita chete.
Ndakangosumuka ndisina kutaura ndikageza
fast bvaa ndakasekwa kani naInnoe asi
panguva iyi ndakaita sendaisamunzwa.
Ndakapfeka hembe ndichimhanya-mhanya
ndakuda kubuda pamusiwo akandibata ruoko
zvikanzi “hona wakanganisa kupfeka blouse
unongonoonekwa kuti wange uchindinetsa
ndichida kuzorora.” ZvaInnoe here pese
pandaigeza nekupfeka ndaive ndakasunga
face asi ndakazopedzisira ndakuseka. Shuwa
aive akutondigezera nyaya asi aigonyerera ega
kumashure kwangu achiratidza kunakirwa.
Ndakatozodzikama ndikapfeka zvakanaka
ndikadarika nekubedroom ndichipfeka pant
ndikabuda.
Mama nababa ndivo vanhu vaive
nemisikanzwa yakahwandira ivava.
Ndakanowana yangove imba vaive vabuda isu
hatina kana kumbonzwa kudhumha kwemota
yavakashandisa. Aunt vaitove kuroom kwavo
ndiko kwandakaenda vakati vaive vatove
neover thirty minutes vabuda. Ndakapererwa
ndikaseka hangu ndichidzokera kukitchen
ndakunotakura chikafu kuti tinodyira
kubedroom. Dai ndakangotinonokei ndaiwana
Innoe arara aive atozvipfinyira mumachira
zvikanzi “ndaneta chero kudya kwacho
ndakungoita zvemutemo.” Aive agara zvake
asingadyi sebhinya Innoe ndaitoshaya kuti
muviri wake waikura nei maybe zviya zvinonzi
ukave nepeace of mind unove neutano
hwakanaka zvaive zvechokwadi. Akarara
ndichiri kudya kutoridza ngonono chaiko
neniwo ndakatevera pandakazvinyepera kuti
ndakumbozendama ndidzikisire chikafu.
Ndakazomuka nenoise yaiitwa naInnoe
achivhura zvinhu zvaaive abva nazvo kuSouth-
Africa. Uyu aipenga chete ndakanyatsopeta
maoko achisumudza mudenga hembe dzaaiti
ndedzemwana achitobvunza hanzi
“zvakanakaka ndogona kusarudza.” Sekuru
baba two vaivepi mwana wavo achiita
mashura akadai pamwe vaidei vakamutsiura
asati atambisa mari. Zvese zvaive
zvechikomana kana dziri shangu handizivi kuti
aive mapair mangani ndakarwadziwa
nemaprice andaiona. Zvizhinji zvaive
zvetwelve months to eighteen months kozoita
zvimwe zvaitove zvematwo kana three years.
Kazhinji mazera akadai anenge asisapfeki
zvihembe zvedesign yevacheche zviya kana ari
mat-shirt anenge akangoita seevanhu vakuru.
Manje iye akatenga mashirts, t-shirts, shorts
and trousers (jeans) nedutu rezvimapant
zvakasimba-simba zviya zvevakomana. Mahat
aive macap chete kozoti majacket eleather
neamwe aiita semaguru hapana kana kubuda
kana fleece one zvayo. Masocks ndiwo
akandiridzisa chikwee aive atenga ezera
revana vegrade one apa aine design
yeevatambi vebhora. Zvaive zvazara pabed
ndikamuti “ndozozvirongedza ndatanga
ndaratidza mama.” Aifara mwana
wekwaMapanzure achifunga kuti mama
vaizomuomberera maoko asingazive kuti
ndaitoda kuti vagondibatsira kuseka.
Vana mama vakadzoka tichidya kudining
chikafu chaive chabikwa naaunt time yataive
takarara. Baba havana kugara mudining
vakaenda kuroom kwavo ndiko kwavakadyira.
Mama taive navo semazuva ose vaizvifarira
zvekudya vachiita nyaya nesu.
Ndakazovaratidza hembe dzemuzukuru wavo
vakadokerwa nezuva vakuchema nemabayo.
Innoe kuzobudisira ini ziso hanzi “waidei
wandiudza kuti hazviite hona wakundisekesa
namama.” Nemufaro waaive nawo dai
ndakataura ini zviri opposite aigona kudokesa
zuva asingatauri neni. Ini chandakaita kutenda
chete nekuappreciater effort yaaive aisa asi
kutaura chokwadi hapana kana one hembe
yekuti dai mwana ainzi azvarwa aizopfeka.
Mama vaive vakanakira kuti vaisangoseka
zvopera zvakadaro asi vaitora nguva yavo
kudzidzisa kuitira kuti munhu azive.
Zvakawanda zvataida kuziva nezvemwana
vakakurudzira kuti titsvake painternet asi
zvehembe vakatitsanangurira ndikanzwa
Innoe akuti “ndaizviona zvese zvamunotaura
izvozvo asi ndaifunga kuti ndezvezvidhori.”
Vakatikurudzira zvakare kuti kana nguva
yaizokwana yekutenga zvaingoda kuti tiende
pamwe chete hanzi ndiwo amwe
mamemories akanyanya kukosha pamwana
wekutanga. Vakapinzawo nyaya yavo
mudariro vachikumbira kuti palong weekend
yaizouya vaida kuenda neni kumusha kwavo
kuti ndinoona paive pakagara vana sekuru.
Vachitanga kutaura ndakatofunga kuti pamwe
taizoenda kumusha kuruzevha asi vakazoti
vaibvira kuBulawayo kwana sekuru baba Farai.
Innoe haana kupikisa akabvuma kuti
taizoenda hedu.

Kudzoka kwakaita Innoe kuSouth-Africa


kwakaita sekwaive neakanomuraira ikoko
handizivi hangu kuti akaonei kana kufungei.
Ndiye akatanga kundiendesa kuchikoro zvese
nekudzoka chero aine basa rakawanda sei
aitosiya achizonditora ogutsikana kuti
ndasvika kumba zvakanaka. Ndaimbomunetsa
kuti ndaida kuenda namama airamba hanzi
“inguva yangu ino yekuti ndiite
zvandakakuvimbisa kubva musi
wandakazvipira kukuroora uchiri kuenda
kuchikoro.” Hapana zuva raiuya Innoe
kuzonditora kuchikoro raipfuura asina kutaura
zvekuti sekuru vaimunetsa kuti sei ndaisaenda
kumba kunoona mama. Patakaona zvanyanya
uye vatumira shoko rekuti Paida aizouya
palong weekend yataida kuenda kuBulawayo
takabva taudza mama. Mama vakati zvaive
zvisina kuipa kuruma` mbuya nasekuru nzeve
ndivo vaizotaura namama Madondo kuti
vanzwisise situation yaivepo. Akaita seaive
atotumwa Innoe kuendesa shoko ndofunga
pese apa airemerwa kuti ozvishambadza sei.
Ndakazonzwa ndakufonerwa nambuya Munya
pamwe nana sisi vangu vachindiita
makorokoto. Izvi zvinhu zvinongotarisirwa
nehama dzose kuti kana waroorwa pabude
zvibereko asi kana zvarambawo vanhu
vanofanira kuzvigashira vopa support
yakakwana kune vanenge vari pakutsvaka.

End of chapter 28

Love you guys


CHAPTER 29
*Innocent*

Kuve nemubereki mupenyu ipfuma huru


inodarika vane upfumi hwemari neproperty.
Ukanzwa mubereki ataura zviya mashoko ake
akasaburitsa sense ipapo nyarara uone kuti
mashoko iwayo haazovi chiporofita here
mukurarama uchienda mberi. Mashoko
akataurwa nadad musi wandakadzoka kuSA
ndakashaya kuti aibvepi achiendepi.
Ndakambofunga kuti Purity pane zvaaive
ataura navo but aive munhu akanyararisa
zvainetsa kumupomera mhosva yakadaro.
Nadad vaingotaura vese achivakwazisa ivo
havo vaizoseka naye vachimuti amai asi iye
aingonyarara and aitoonekwa kuti aive
achakazara kuvatya nekuvanyara. Zvaakaita
auya kubedroom kwandaigeza zvakandiratidza
kuti nyaya yatakataura nadad aisatoziva
nezvayo. Kuona kuti munhu inyoka hakunetsi
zvachose ko ndakambosangana
nevangwaruka Marian aiti kana oda kunyepa
kuti kumba kwavo kwaidiwa mari waiona
nekungwadza pameso. Purity aichinja face
chete kana tiri vaviri tichitamba nekutaura
tunyaya twedu twerudo. Zvaaiita ari pana
mama zvaive nemusiyano nezvaaiita ari pana
dad. Pazvese izvi hapana face yeutsotsi
yaairatidzira saka ndakaona zvakakodzera kuti
ndisiyane nazvo. Mashoko adad zvawo aive
asina kuipa ndakatomacherechedza ndikaona
kuti vakataura nerudo rwekuti family yedu
irambe yakabatana. Zvandamboreva kuti
mashoko evakuru pane paanokuratidza
kukosha kwawo zvakazoitika. Dzungu rataiita
rekuti pese pataonana kutambira kuzviuno
zvedu inyaya yekuti taionana zvekubirira.
Weekend ndaiswera mumba ndakazvivharira
uyu Purity aiti ainyara kuzogara kubedroom
saka aingoteverera mama. Manje kubva apa
taienda kuchikoro tese ndonomusiya
ndodarikira kubasa then ndozomutora.
Ndakaona kuti taive takutokwanisa kutaura
nyaya dzeupenyu dzisinei nekupanana rudo.
Ndini ndaive ndakutanga kuziva kana amuka
asinganzwi zvakanaka kwete kare
kwandaitoita kubvunzwa namama
ndoshamisika ndichiti ndaisaziva. Aive
akukwanisa kubvunza mafambiro aiita zvinhu
kubasa kwete kare kwandaiti ndichimuudza
aingonyarara achiita seaive asina basa nazvo.
Mudzi wezvese izvi wakakonzerwa nenguva
yatakadanana tisati taroorana. Yakave pfupi
ikave nemiyedzo yakawandisa zvekuti
takasvika pakuroorana tisina kuudzana
zvataifarira nekusafarira. Nguva shoma
yandaiwana ndaibva ndada kuishandisa for
my own interest ndichiti ndazviwanirapo.
Kuroorana ngakusave kwebonde chete asi
kuzvipira kuti wawana muvaraidzi, mupi
wemazano mukurema nemukufara.
Dzakawanda nyaya dzatainzwa dzekuti
marriage ikaita gore vamwe vanenge
vakushaya nyaya chaidzo dzekutaura mumba.
Ndakavatenda dad vangu mumoyo mashoko
avo aive ekuti ndiwane nguva nemuroora
wavo tigotevera mutsoka dzavo vaive
vatochembedzana rudo ruchitsva mumba
mavo.

Vakadzi vanofanira kukosheswa dai varume


vese vaichinja moyo yavo voona kukosha
kwandaionawo pamukadzi wangu. Nhumbu
yakachinja zvakawanda paari kubva
paakambonetseka nekurutsa ndaitoziva kuti
airwadziwa. Panguva iyi yaive yamuitisa
mazamu mahombe asingaenderani nebody
yake. Mazamu acho aisviba zvese nedumbu
zvichidzika kuenda kumagadziko kuita
semunhu aive asingagezi. Mastretch marks
ndakamboedza kutenga mishonga
yandaiudzwa kupharmacy hapana kana
chakashanda. Hembe dzaive dzisisafitte
zvachose dai ndaive nesimba rekuti ambomira
kuenda kuchikoro ndaimusaver from
humiliation yataiziva kuti yaiitwa muzvikoro
zvakawanda. Panyaya yekuenda kuchikoro
ndaisawinner zvachose mama vakagara
vataura kuti vaisada kunzwa kana shoko zvaro.
Pakumutakura kwandaiita ndakaona kuti
aidzoka aneta aitobva akarara munzira kusvika
kumba. Pataienda kubasa aipedza nguva yake
yese akarara pacouch achiridza ngonono
zvake muromo wakashama. Pakadai ndipo
paunobva waona kuti kubvisa roora kuri
worth it nekuti mukadzi anochinja nekukasira
pane murume.
Mumazuva akatevera vakaronga rwendo
rwavo rwekuenda kuBulawayo namama
sekuvimbisa kwavaive vaita pavakaziva kuti
kwaizove nelong weekend. Vakasimuka
Thursday masikati vakazodzoka Sunday husiku
takatoshamisika vachisvika nekuti vaive vasina
kutaura kuti vaive munzira. Vakati pakudzoka
vakadarika nekumusha kuMberengwa
ndosaka vakazononoka kusvika kuHarare.
Time yavakafonera vana sekuru vachivazivisa
kuti vaive vasvika ndakaona ndakutumirwa
message hanzi “ndasununguka muzukuru
ndaive ndakangoringa nzira kuti muroora-
zukuru wangu achazoona patigere rini.
Zvamaita izvi ndiko kumuvhurira nzira iye
zvino chero oga anokwanisa kuuya.”
Ndakavafonera ndikabuda panze kunotaura
navo ndaitonzwa nevoice ravo kuti vaifara
sekuru baba Farai. Mbuya vaive paside
vachitaura zvavo zvisina basa ava vaifarira
kundidenha zvavo. Pandakabva panze
ndakaenda kubedroom kwaive kwaenda
Purity kunosiya bag rake. Pandakapinda
akatanga nekuseka ndikaona kuti pane
zvaaiviga kuseka-seka uku kwaive kundivhara.
Ndakadhonza pillow yaaive aisa pakati pebed
achibva andisvetukira zvikanzi “siya zvinhu
zvangu apa.” Takarwisana kusvika plastic
radambuka aive akukosora nekuneta zvikanzi
“unodisa zvinhu uchafa maziziso iwawo
asingandioni.” Ndakaseka ndichibudisa
tumicheka twepabonde achibva agara
kwaiperera bed akabata kumeso.
Ndakanyepedzera kuita sendaisaziva isu
taishandisa tumwe twakakorerera kunge
towel manje utwu twaive tuya tweyellow.

Ini: pane panofitter yellow here muno


paunoda kuisa micheka yese iyi?

Purity: iwe siyana nezvinhu zvisiri zvako chete.

Ini: pawatenga wange uchiziva basa razvo


here? Ko mama pavaona uchitenga vati chii
(ndakaseka)?

Purity: (achitendeuka) umm kubvunza nhema


zitsotsi iri, wamboti ndezve decoe now wakuti
basa razvo. Ndakazvipiwa nambuya mai Farai
hazvinei newe izvi.

Ini: (ndichimudhonza) huya tizvitsvakire basa


razvo hazvingangogarika isu tiripo.

Purity: (akaseka achindirova pachidya) manje


ndange ndichitodawo asi iii kungonzi huya
tiite ngazvidarike hazvo.

Ini: chero ndikakudana nesign language kana


kutaura nemuromo chakakosha kuita chete.
Purity: hazvisi romantic izvo, apa unenge
watobhowekana hako nekudzoka kwataita
ndanzwa uchiti kuna mama ko mafambirei
husiku dai marara kumusha.

Ini: kwange kuri kungotaura babie haa


ungandifungire zvakadaro here? Hapana
zvandingaite kana waita rwendo kana kuti
iniwo ndaita rwendo but ndinenge ndichitoda
kugara newe uchindipa zvi…

Akandirova muromo akazembera pandiri


achipuruzira chirebvu changu. Chikafu
vakagara varamba vese namama pavakasvika
vachiti vaive vadya munzira. Mama nadad
vaizvidawozve nekukura ikoko ndaitoziva kuti
vaive vatoenda kubedroom kwavo. Ndakanga
ndakutokanganisika nekumubata kwandaive
ndakaita paakaona ndakupuruzira zamu
akasumuka akati aida kunogeza. Ndaisara
here pakadai mubathroom medu
taipidigurana madiro pasina kunzwikwa unlike
mubedroom munhu aigona kumira
mucorridor achiteerera. Ndakanomupomba
akadeedza mutupo nekunakirwa
chakangozosara kudyiwa chete ndakaona kuti
nepaive pave nenguva taizorara kuseni.
Akanga andionesa moto musi waakazviita
saka ndakatoona kuti zvaida kuitwa tiine
nguva. Pese pataitamba apa ndakakanganwa
kumuudza kuti mbuya mai Munya vaive
vatumira shoko kuti mainini Paida vaive vauya
kubva kuVic-falls. Ndakatogona asi ndikatanga
ndamugashira nekuti pandakamuudza
akaratidza kubatikana zvakanyanya.
Ndakafunga kuti aive achakavatsamwira
nekuda kwekunyepa kwavakaita paya.

Ini: babie life inoda kuti tisiye zvakaitika


kumashure titarise mberi kwatiri kuenda. Yes
takasangana nezvinorwadza but tine
zvinofadza wani mukati meupenyu hwedu so
pane kuchema-chema nezvatisingakwanise
kugadzirise ngatipemberere zvakanaka chete.

Purity: pandakapedzisira kuona Paida


ndakarwadziwa dai akadaro hake achinja
body yake.

Ini: but mapicture avakatumira aya vairatidza


kuti vasimba wani?

Purity: zvepafoni zvinonetsa, its not easy


kurarama nemapiritsi.

Ini: (ndakamubata mumaoko) I know babie


but we have to accept the situation so that
tinokwanisa kumubatsira kuti agamuchire
zvaari iye. Look, vamwe vanozvarwa
vachirwara kutotangirira mapiritsi acho vari
vadiki manje iye aita luck mwana wake ari
health hauoni kuti tine chekucelebrater apa?
Purity: (achipukuta misodzi) thanks hako.

Ini: usakanganwe kuti mwana wedu haadi kuti


ugare une stress zvinomukanganisa.

Purity: handina stress hangu kutongofungawo


zvakadzika kuti why Paida of all people.
Ndakuda kurara hangu ndaneta ini patasvika
kumusha tasiya tatsvaira dzimba dzese.

Zvekuti aida kurara ainyepa zvake pfungwa


dzake dzairemerwa ndaimunzwa
achifemereka ari pachipfuva pangu. Ndaive
ndakutomutyira kuti pamwe aizomuka
achirwara neniwo ndakatomboshaya hope.
Kuseni handina kuona kumuka kwake
ndakararisa ndikatorega kuenda kubasa kuti
ndiswere naye. Akatouya achiti aive apedza
kundigadzirira zvekudya paakagadzirira mama
vaida kubuda kuenda kunoona Paida. Dad
vaive vatobuda kare handina kunzwa hangu
kuti vaive nebusiness rei mutown
ravakamhanyira kudaro. Ndakangomuka
ndichinopa mama mari yekuti vadarike
nemutown vachitenga zvinhu
zvavainopemberera mwana nazvo zvemuzita
redu. Vakatomboti tiende navo
tinozvisarudzira ndikaona sevaive vataura
pfungwa yakanaka asi Purity akati aive
nezvakawanda zvaaida kugadzirira
zvekuchikoro. Pavakaenda kuBulawayo aive
angotorwa achibva kuchikoro asina kuwana
mukana wekusiya awacha nekuitawo
maassignment ake. Kaionererwa Purity hanzi
“madii kuenda naye uyu anogona kutenga
hembe dzemwana?” Vakandiseka nyaya
yandaive ndakutokanganwa nezvayo but
ndaive nani hangu ndaitove nechido
chekutenga pane vamwe varume
vanongogona kumitisa chete votiza
responsibility yavo. Nebasa raive naPurity
musi uyu ndakatoona kuti ndikaramba ndiri
pamba ndaigona kuzomukanganisa.
Ndakabuda ndichiti ndinoona sekuru Nigel
kumba kwavo sezvo yaive holiday vaive vagara
vataura kuti havashandi. Avo aya aive
macompany mahombe isu taitanga kusimuka
vakomana vaitove pandima. Zvisinei
ndakavafonera ndave munzira vakati vaive
kulodge kwambuya. Yaive yatotanga kushanda
ndakatowana pakazara mota vachitoti
vashandi vavo vaive vashoma vaive vasina
kumbofungira kuti business ringatanga
rakakwirira kudaro. Mbuya vaitobatsiridzawo
kucleaner maroom zvekushanda havo
zvaisavaremera vaiita chero basa and
waisatomboona musiyano wevashandi naivo
nekuti vaigona kuzvideredza kana
kuzvikwiridzira zvichienderana nelevel
remunhu wavanenge vachitaura naye. Sekuru
Nigel vaive vakutyira kuti pamwe mbuya
vaizoti vakusiya basa kuNATA. Ndakavati
vasavaendera mberi vaifanira kumirira zuva
ravaizozvitaurira vega. Ndakawaraidzika
nekuda kwekusangana kwatakaswera tichiita
nevanhu vakasiya-siyana. Time yavakati
vakuenda kumba kumaaround eight husiku
ndipo pandakasimukawo ndakuenda kwedu.
Ndakawana mama vadzoka vachitaura
zvekwavaive vaswera. Mwana
aingorumbidzwa kuti aive akanaka uye
akasimba zvimwe zvacho zvaisave
zvekurumbidza zviri zvega but mama vaidisa
vana zvakanyanya. Vakazoti Paida nambuya
mai Munya vaiuya kuzotiona paweekend
yataive takatarisana nayo. Paive pasina
chakaipa ndakatotenda kuti vakaita chido
chekuuya vachinzwisisawo situation yaive
neumwe wavo. Zvaive zvambomubata
nesimba zvekusabvumirwa kuenda kumba
kwavo Purity asi apa akaratidza kufara
chaizvo. Ndakatodzidza kuti nyange ukaona
vana vemunhu mumwe chete vachirwa
usatore side mangwana ndiwe unosara wave
muipi kwavari vese. Dai ndakaita hasha
nezvakaitwa naPaida kare tisati taroorana
nemukoma wake ndisu taitozorwa akuti
ndomira nemwana wamai vangu. Munhu
akangwara anorega ivo vane ukama
vachitsiurana ukaona vakusanzwisisana
unobata usina waunenge uchimira kuside
rimwe naye. Mukutaura kwamama anenge
aive achiri kuremerwa Paida nekuti
paingotaurwa nezvake aichema. Dzimwewo
pamwe dzaive nyadzi dzemataurirwo anenge
akuitwa nyaya yako kuvanhu. Mama zvavo
havana kumbotaura zvakaipa vakatoti “severe
vangu ndavaudza kuti vasamboteerera
mashoko anotaurwa nevanhu. Vamwe vachati
mwana kana aita misikanzwa ngaapiwe
punishment inorwadza asi nemhepo
yakutenderera munyika mwana anoremerwa
ozvipfuudza vaya vaikufurira vanobva vatanga
ivo kuti waurayisa mwana.”

Dad: iko pane munhu angafadze raini rese


nepain yemwana wake here? Vana vanotadza
zvakasiyana-siyana kungoti zvewako zvinenge
zvaramba kuhwandisika chete. Vakawanda
vana vari kubatana chibharo pachavo zvonzi
tikabuda pachena taparadza ukama.

Mama: manje kutonzi mwana akamitiswa


nemukomana wake akasiiwa zvinotaurika
pane kuti hanzvadzi nehanzvadzi vapanane
vana ndiwo makuna-kuna aya.

Dad: mubereki akangwara haatarisire


zvakanaka zvoga pavana vake, yes ndiwo
munamato wedu asi dai kusina zvakaipa
zvacho chero zvakanaka taidei tisingazvizive.

Mashoko ese aive ekunyaradza Purity uyo aive


akagara hake akatarisa pasi. Akazosara otaura
nyaya nekuseka nevamwe pakabuda dad
vachiti vakumbonocapture zvinhu zvekubasa
kwavo vari kubedroom.
Muzuva rakatevera takatangana nawo mabasa
holiday yaive yapera. Dai Purity aive asina
nhumbu ndaimuti aende kunoita malessons
edriving. Week iyi ndakaremerwa
zvakanyanya kubasa kwaive busy ndaitofanira
kumukira kuseni-seni asi ndaizobatwa
nenguva yaibuda Purity achienda kuchikoro.
Ndakasvika pakukumbira mama musi
weThursday kuti vamuendese ndatoona kuti
ndaizviomesera. Vakamuendesa neFriday
yacho zvakare vakanomutora masikati.
Pandakangoona message yaibva kuna Purity
achiti aive atosvika kumba ndakaisa pfungwa
nezvese zvangu pabasa handina kumbozobata
foni. Takashanda kusvika kumaten husiku
ndikasiya vakomana venight shift
vachienderera mberi nebasa ndichinozoroora.
Sezvo yaive yatove weekend ndaive ndazvipira
kushanda kusvika late ndichiziva kuti ndaizove
nezuva rese reSaturday ndiri pamba.

Vakadzi vanotiona sevanhu vari cheap


ukanonoka kusvika kumba kana kusadaira foni
pfungwa dzinotomhanya kuti zvimwe kwave
nereplacement. Varume chaivo vane zvekuita
neupenyu hwavo havatambise nguva
vachitsvakana nevakadxi nekuti mukadzi wese
anoda attention kana zvichitobvira kusiya
basa uchive naye anototi its fine but mukuve
naye anenge achida mari futi. Ndizvo zvimwe
zvakaita ndinonoke kuroora izvi nekuti ndaive
ndangokura ndichiti ndaidawo kuve neupfumi
hwangu hwandaitanga nemari yangu isiri
yekupiwa nevabereki. Dai ndaive nemukadzi
nevana pamwe mari yandaiunganidza
yaizosanga nematambudziko emhuri
ndopedzisira ndadzokazve kuvabereki
kuzokumbira. Ukapiwa foundation yedzidzo
nevabereki woita luck rekuwana basa
rinobhadhara I think ipapo panenge
pakudawo kuti uvaratidze kuti vakakuendesa
kuchikoro zviripo. Zvino kumba ndakanowana
mai vevana vangu vachiita sevafirwa
kunyorovedza pillow nemisodzi.
Pandakavhura door akamuka zvekuvhunduka
akatanga kusimudza mapendekete neshungu
aitoda kuridza mhere asi ndakakurumidza
kunomubata. Ini panguva iyi ndakafunga kuti
pamwe munhu arwara so pandakada kutaura
ndakasundidzirwa zvikanzi “wadii kungorara
ikoko kwawange uri Innocent? Wange unani
usingabati foni kana kupindura mamessage
angu manje ndonorara kudining.”
Ndakamboda kuseka ndikazvidzora nekuti
akataura achitosimuka kuda kutora machira
ndakabva ndamutevera ndikamubata.

Ini: Purity!! Purity!! Babie ko ndizvo zvinoitwa


here wadii kutanga wanzwa zvandinotaura
pane kumhanyira kuti zvawafunga ndicho
chokwadi?

Purity: (achizembera pandiri) but why Innoe


ndakuisira mamessage kuti Paida nambuya
mai Munya vauya waidei wanyarawo vaenzi.
Vanoenda vachifungei izvozvi pamwe vakutoti
ndomagariro ako emazuva ose? Ndatorega
kunorara navo ndichiedza kuhwandisa
zvawaita izvi.

Ini: thanks babie ndoziva kuti warwadziwa but


mazuvano kubasa kwakasunga handina kana
nguva yekuzorora. Chaita ndinonoke
ndechekuti ndange ndichida kupusher
vakomana venight shift last night vakashanda
zvishoma nekuda kwekuti vanenge vari vega.

Purity: just few words Innoe dzekuti


ndichanonoka kuuya toziva kuti uri safe here.
Mama vanetseka handifungi kuti vawana
hope ini.

Ini: I’m sorry babie.

Purity: handiide sorry yako pamwe wange


wakavharirwa hako.

Ini: (ndakaseka) ndovharirwa nani hangu


handifungi kuti kunze uko kune vamwe
vakadzi vanonaka sewe.

Purity: ibvapo apo manyepo ega-ega.

Ini: (ndichiseka) gara mushe ndimbonyaradza


mwana wangu wawange uchichemedza.

Purity: saka ini hauna basa nekuti ndange


ndichichema, rega ndiridze mhere
ndigonyaradzwa namama hangu.
Ndinotovanyepera kuti Innoe asvika
achindirova ndisina zvandamuita.

Ini: ndinobva ndakurova chaiko mama varipo.


Purity: zibhinya risingandioni.

Ini: ndoreva kukurova ne..

Purity: (akandibata pakati pemakumbo) rova


tione.

Paive pakatozvirarira zvapo handina kuita


seamwe mazuva andaiti kungomuona
potosimuka. Masekero aakaita aive ekutoda
kurohwa but musana waive wapera basa
ndakabva ndatomuti ndakuenda kunogeza.
Dai akatevera ndaimuudza chokwadi kuti
aitomboita mushakabvu kwemazuva maviri
kana matatu. Handiti mushakabvu mukadzi
akafirwa nemurumeka, ndainzwa shona iri
deep iyi namama vangu. Zvisinei hazvo
ndakanogeza ndikanzwa dzave ngonono aive
atorara. Mazuva aakatanga ngonono dzake
idzi ndaishaya hope asi nekuenda ndichijaira
ndaitoti akarara asina kumborira ndaitonzwa
kuti pane chiri kushota pandiri. Hope
dzaimukunda zvine simba airira mazingonono
ake iwaya ari pamusoro pemachira nehembe
asina kubvisa. Ndakabvisa hembe
ndikamurarisa zvakanaka nekumuvhara
muromo ndikanzwa akufema zvakanaka.
Ndakaendawo paside dzikandiba hope
dzemaneto kusvika kwachena. Ndakamuka
kuseni achiknocker padoor Purity ainzwikwa
kuti pane munhu waaitaura naye. Akazoti
“mira nditange ndanzwa kuti amuka here aiti
akaneta uyu ipapa ndiri kutya kugarisa kuno
ndowana poto yangu yatsva.” Ndakapukuta
maziso kuti ndinyatsoona zvakanaka ndikati
“pane munhu here padoor?”

Paida: munorara kusvika masikati kudai asi


mune bhabharazi?

Ini: bvunzai mukoma wenyu ndiye


anonditadzisa kurara iyeyu.

Purity: (achinzwikwa kuti aive ave kure)


utaure zvaunoziva hako ndichauyamo.

Paida: tozokuonai mamuka.

Ini: maita basa nekundimutsa kwamaita regai


ndigeze ndouya manje-manje.

Dai aive mainini asati aziva zvakawanda


ndaiseka naye kuti auye kuzondigezesa. Ava
vaive vakutoziva zvikuru-kuru havasi
vekutamba navo nemuromo unozvisungirira
panyoka. Unonzwa yachinjwa nyaya akuti
“bamukuru vakati vanondida.” Munhu
wemanyepo haasi wekureverera zvakanyanya
kuti atendeuka ipopaya paakarasika
akatondidzidzisa zvakawanda pamusoro pake.
Handiti vavariro yake kwaive kutiparadzanisa
haana kutiudza chikonzero saka aitove mulist
yana Loca. Ndaitofunga nezvaPaida uyu
ndichigeza zvangu ndikapedza ndokudzokera
ndichiti ndaizonofonera Purity kuti auye
azondipa hembe dzekupfeka. Ndakawana
dzaburitswa aisa pabed paive patowaridzwa
handina kunge ndamunzwa maybe inyaya
yekuti mupfungwa dzangu maive
nezvakawanda. Ndakapfeka ndikaenda
kudining kwandakasvika ndichigamuchirwa
namai Innoe nemibvunzo hobho-hobho
yandakatadza kupindura ndikaseka hangu. Ini
kutokanganwa zvaive zvataurwa naPurity kuti
mama vainditsvakawo patime dzandaive
kubasa. Mbuya mai Munya ndivo
vakandibvisa muhusungwa hwandaive
ndaiswa namama nekuda kwekupinda
kwavakaita. Vakangotanga nekuti “kana
munhu avhima akabata haachadzokeri
kumasango?”

Mama: kkkkk ndivo vanosimudza musoro


vawana ava.

Ini: makundituka henyu neshona dzenyu idzi,


makadii henyu babie rangu nhasi masiyaka
sekuru maita zvakanaka?

Mai Munya: nhasi ndatizira ndoda


kutombotamba humwenga. Chave chirungu
chino vana vakuuya nevaroora vakaenzana
nana amwene.
Vakaseka vese namama vakamborovana
maoko tichibva tazokwazisana hedu
nekubvunzana upenyu. Ndakavaudza
zvemaneto andaive nawo ekubasa vakati
“ndakaona sekuru vako vachifamba nedivi
nezuro hanzi basa rakawandisa mazuvano.”

Ini: vaudzei mama vange vachida kundirova


ava hanzi wakanonoka kuuya uye waisadaira
macalls angu. Dzimwe nguva ndomboda
kuchema pressure yacho yakawandisa.

Mai Munya: kushanda ikoko ndiko kuenda


pane chimwe chidanho muzukuru
kungoshinga nyama dzichajaira.

Vakabuda vese namama pakapinda Purity


vachibva vaenda vakanogara panze. Paida uya
aive andimutsa akatora nguva kuti auye
ndofunga ainyara kusanganidzana maziso
neni. Akazoita zvekudeedzwa naPurity akauya
akapeta maoko achiedza kuhwandisa
mazivara matema aaive nawo. Kumeso
nezvimwe zvese aive right zvake uye bvudzi
aive nepfupi rakasvibirira zvakanaka. Maoko
waisanzwisisa kuti aive mavanga emaronda
here kana kuti ekurohwa ndakatoti kuna
Purity “wadii kupa mainini jacket kuri
kutonhora uku?” Paakabuda ndakasara
ndichiti “mange musisadi kudzoka kuVic-falls
mainini?” Nyaya chaidzo taive tisina kuda
zvaizochinja hazvo nekufamba kwenguva.

Ini: congaratulations nemwana mainini ko


makadii kuuya naye takazomuona?

Paida: achauya hake.

Purity akasvika pakudzoka pasina kana


zvataive tambotaura achibva avapa jacket
zvikaita nani.

Purityachipa introduction) Paida ndivo


bamukuru vako ava. Innoe ohh vaMapanzure
kkk ndivo mainini venyu ava vanonzi
Paidamoyo ndiye anonditevera.

Ini: tozivana isu kubva tiri vadiki, usanzwe


zvako thanks mainini nekuuya kuzotiona
ndange ndichitori ko vasiirei mwana taidei
tazomuona.

Purity: ndamudarowo shuwa pamwana


makanganisa henyu.

Paida: nekachando kariko aka mama vaiti


hazviite kufamba naye.

Purity: ndakumbonobatsirana naaunt kubika


ndokuonai time-time.
Akabuda ndikasara ndichibvunza nzvimbo
dzandaiziva dzekuVic-Falls ndidzo nyaya
dzaitove nemusoro dzataigona kufambisa
nguva nadzo. Aipindura hake` asi kune kumwe
kwaaiti aive asina kumbosvika.
Ndakangozoona munhu apfugama pasi
misodzi ikayerera nematama zvikanzi
“bamukuru ndokumbirawo..”

End of chapter 29

Love you guys


CHAPTER 30
*Purity*

Finally ndaive ndakuzoendawo kunoona vana


sekuru kuBulawayo, ndakafara kuita
sendichabata denga. Week yese yakapera
ndichiti chero nyaya isingadi kuseka
ndaitobudisa mazino kunze. Ndainzwa
sendaive ndakuzoitawo zvakanaka muupenyu
hwangu for the first time. Yaive isiri nyaya
yekudisa rwendo asi ndaitarisa kuti vana
sekuru nambuya vakafambira nyaya dzangu
zvakadii kubva ndisati ndatomboroora. Kuita
zvakanaka hakumanikidzwi unofanira
kuzvinzwira muhana mako wega. Musi
watakasimuka namama ndakavafonera
ndichiri kuchikoro kuti taizosvika tichienda.
Ndaitoda kuti vadarike vachinditora
tongoenda asi manje ndaive ndisina kutakura
bag rangu rehembe. Innoe ndakamuti
azondimirira kwete zvake zvekuti aizosvika
ndamumirira panze. Munzira ndakabva
ndichimuvhairira kuti aizosarawo pamba
zvandakaita paakamboenda kuSouth-Africa
kunoona mbuya mai Natie. Pane majokes
aaiita aisandibata hangu zvakanaka nerimwe
remazuva ndaizomutsiura zvangu. Akanditi
“enda hako unowana ndatsvaka mumwe
anondibikira.” Akandiwana ndiri mugood
mood handina kuzvitora serious asi
pakudzamisa pfungwa ndakaona kuti kaisave
kekutanga kana kepiri achizviita. Ndaiverenga
ndichinyora mumoyo musi waaizowana
zvekwaMadondo zviri pedyo ndaimuverenga
ndomubvunza zvangu kuti “ukanzwawo
ndichidaro uchafara here?” Ndakasvika
ndichigeza fast Innoe akange ati aida
kumboisa musoro pandaive kubathroom but
ndakamuudza kuti ndaisada zvekunonotswa.
Akamirira kubuda kwedu ndipo paakatevera
mumashure tikanoparadzana mberi
akudzokera kubasa. Handina kana
kumborwadziwa nekuparadzana naye mama
vakatoshamisika vaifunga kuti
ndichavachemera kana kungokwindimara
munzira. Ndakabva kuHarare kunobata
Bulawayo ndakasvinura ndichipota
ndichibvunza mama kana tasvika munzvimbo
dzandaisaziva. Patakadarika Gweru takupinda
mumapurazi vaive vaneta vakudemba kuti dai
ndaigona kudriver ndakavabatsira. Ndaida ini
kutora licence ndaizokumbira Innoe chete
andibvumidze. Zvaingondiyevedza nekunzwisa
moyo pandaiona vamwe vanhukadzi vakagara
kuseri kwesteering wheel. Hapana chaiitwa
nemumwe mukadzi seni chandaizotadza
muupenyu uwo waitove mutemo
wandakazvipa uye mashoko iwayo
aindisimbisa mune zvakawanda.
Takanosvika mbuya vanzwa nekuringa nzira
tikagamuchirwa nemufaro vachipembera.
Sekuru vaivepo vakatoti vaive vabva kubasa
masikati chaiwo kumatwelve. Vanhu vaive
nemari yekutambisa ivava
ndakanoshonongorwa futi kuda kwaive kufara
havo nekusvika kwandakaita kumba kwavo.
Ndaitoita sandaive ndakuita humwenga
zvakare kukwaziswa nemari nekupinda
mumba nemari. Sevanhu vaive vaneta musi
watakasvika hapana zvakawanda zvatakaona
takangodya chikafu chaiita sechekuhotera
tikatadza kuchipedza. Regai vamwe vanhu
vachisimba nekuita makanda anopenyerera
mabatiro avanenge vachizviita ndiwo anenge
akasiyana. Variko vanhu vekuti ukatarisa
ganda ravo unofunga kuti pamwe vanogeza
nepure water. Supper yaive yakakora iyoyo
nyama idzi type netype kozoti mafruit juice
handingazvipedzi hangu but kana ari iwo
magariro avaiita ava ndakaona kuti vaidarika
kwedu kwaMapanzure kurongeka nekure.
Vana vaisaita zvekupimirwa chikafu
vaikurudzirwa kudya chese chavaida hanzi
ndiko kuti vagute. Ivo vana ava ayewa-ayewa
waigona kungoona wayeverwa navo
usingafungiri. Vaigona kurera vazukuru vavo
zvakanaka ndaitoshaya kuti dzimwe nyaya
dzatainzwa dzekuti vana vevana vakomana
havadiwe nana mbuya dzaibvepi. Pamwe dai
takakura mbuya vedu vari vapenyu
taizozvionawo asi mukutaurwa kwavaiitwa
mbuya Madondo hanzi vaive strict kudarika
sekuru. Tete vaitove nevanga kumeso ravainzi
vakarohwa nehuni yaive nemoto nekuda
kwekukara varume kwaive pavari.
Pakurara ndakapiwa room yangu ndikange
ndati ndaida kurara namama vakaramba
mbuya. Ndakatoita kutumwa kuti ndaifanira
kutaura naInnoe ndisati ndarara. Iye Innoe
wacho anenge aive akatomirira kunzwa
kwandiri ndakangoti ndichiisa message
akatopindura achiyema zvake. Rudo aive
narwo ndaizviona nekugutsikana asi ii
ndaitoita sendaive ndatove nemwana
nechekare. Ipapa akataura achiita semunhu
aida kuchema hanzi “babie handisi kuona
hembe dzekupfeka ndageza ndikatopinda
mumachira.”

Ini: hembe ndakarongedza wani dzimwe pah…

Innoe: aaa dai wasiya wandibuditsira wonyora


kuti idzi ndedze zuva rakati kuseni nemanheru
zvichingodaro kusvika wadzoka.

Ini: (kupedza nyaya) okay next time ndodaro.

Innoe: kurara kwacho usipo kunorwadza


babie ndajaira kuitirwa ngonono.

Ndakapedzisira ndaseka aigara achitaura


zvengonono but ini ndaimurambira. Nyaya
dzakatowanda ndichimbonzi ndibate
padumbu kana kuisa foni achiti aida kutaura
nemwana wake. Madiro aaiita nhumbu yedu
iyi aindipa kunzwa kuda kuita dzimwe mbiri
pamusoro. Ndakatoita zvekukumbira kurara
achibva ati ndibate pakati pemakumbo angu
kusvika kwayedza.
Kuseni ndakakurumidza kumuka ndikanamata
ndokuzoenda kunogeza. Kunamata waive
mutemo kubva ndiri kumba kwedu mazwi
ndiwo aive mashoma chete. Ndaifanira
kugadzirisa chinhu chimwe-chete chekuti
ndainyara kunamata kana Innoe aripo. Mbuya
mai Farai vakapinda ndichangopedza kupfeka
vakatanga kundiwanzira hanzi “dzabata here
hope dad vasipo? Zvongoda isu tinoita double
kicking sedonkey kana ndiri kuno sekuru vako
ndevangu ndikauya kuHarare ben ten wangu
Innoe anenge ariko.” Vainhuhwirira kani
perfume yaikutuma kuwedzera kuvhura
mhino. Structure yavo chete yaida kunoti siyei
nzira but chandaida pavari ndechekuti vaiziva
hembe dzaienderana nebody yavo.
Ndakangofira kuzvikwenya pachidya paivava
ndikanzwa “chii muzukuru hausati wageza
here?” Ndakaseka-seka zvikanzi “asi kumeso
kwako kwakatsvinda uku kuda wageza half
body hako. Usatye zvako toziva kuti uchiri
mwana mudiki asi ibasa redu kukudzidzisa
zvinoitwa mumba nesuwo takabvako
vachingorovedzera nekutukurira nhasi
tatochembera tiripo. Chekutanga usati waita
basa rako kugeza wokwesha mazino ako
nekupfeka hembe yakakusunungukira yekuti
unoita basa zvakanaka. Rimwe basa
rinokonzera kubuda ziya nekuzara dust so
kana wapedza unogona kuzvidira-dira mvura
zvakare wozopfeka hembe dzekuti dad
vakakutarisa vanotadza kugarisika.
(Vachitaurira pasi-pasi) Ndichakutsvakira
micheka yekushandisa ndoziva kuti unogona
unayo asi hapana pandingakurairira
ndisingazadzise zvandiri kutaura. Mukadzi
haaite kuti apedza bonde orara achinamuka
vamwe vanoti kugeza asika pane pamwe
pamunenge musina mvura unotoita plan kuti
ugare wakashambidzika. Murume akange
akuda second round akabata akanzwa
kuchinamuka namo unoona oenda kutoilet
zvenhema paanodzoka anobva arara
akakufuratira. Iyo namo yacho haitani
kunhuhwa futi paunosimudza gumbo imba
yese inobva yaita sedziva rine hove.”
Ndakaseka zvavaitaura nezvavaive
zvaisaenderana zvachose vaive munhu
anozvida panyama dzavo. Pane zvakare
kakufinyama kumeso kavaiita saka pese
pandaivaona ndaimboita kakuvadedera.
Ndakadzidziswa zvakawanda nambuya
ndikaona kuti department ravo raive rekugeza
nehusmart uye kuziva mikoto yaitengeswa
zvinhu zvakanaka. Mama vaitevererana
nehanzvadzi yavo vaitombovarairwa
vodeedzana nemazita. Sekuru baba Farai
ndaifunga kuti nekunyarara kwavo pamwe
vaisawana nguva yekutandara asi ayewa
vaitogegedzera chaiko zvaibva zvabudisa
kufanana kwaive kwakaita mavoice avo
neramama. Vaive zvakare nesaka kudhuze
nekumazino ekumatadza kureva kuti chaive
cheimba ivo namama.
Takabvako moyo uchiri kuda zvekugara
tikavimbisa kuti taizodzokera nerimwe
remazuva. Chandakada zvangu pana mama
ndechekuti havana kutorerwa tsika dzedu
dzechivanhu nekuda kwemari. Ipapa
patakaenda kwana sekuru vakaita
introduction yairatidza kuti ndaive ndatanga
kutsika kumusha kwavo kekutanga. Dai
kwaive kwedu kwaMadondo mazuva
atakagara kuBulawayo aigona kupedzisira ave
ekutukana nekuridzirana tsamwa. Tete vedu
vaisaona zvakanaka zvinoitwa nevaroora
chavo kwaive kushora nekutukirira.
Ndakazviyemura izvi zvekwaChitimbe
ndaizodawo kuzvishandisa kuhanzvadzi dzedu
dzemufamily chero hedu taive tazvarwa tiri
vasikana chete mumba maamai vedu asi
ukama hunovakwa nekuziva chinzvimbo
chako. Rimwe dambudziko randakaona
raikonzera noise kumusha kwedu kuba kwaiita
tete. Zvaisarerutsika kuti uti vaitora vasina
kukumbira asi kungoti vaive mbavha chete.
Chero uchitambura ungatadza here kutaura
nemuroora wako kuti kana aine hembe
dzaasisapfeki akupewo. Ivo vaipinda
mubedroom ramama vorongedza zvavaida
vonoviga vaizosara voona kuti zvinhu zvaenda
apa vakafona vachibvunza vaiudzwa magara
moyo. Tomboti mama nambuya mai Farai
vaive palevel ravo vega rekuti hapana
aimboita ruchiva rwekuzoda zvipfeko
zveumwe sezvo vese vaive nemari dzavo asi
ndaitoziva kuti pane pakawanda pavaitofanira
kubatirana umwe neumwe amire
pachinzvimbo chake kuti vakwanise
kufambisa mhuri dzavo. Ndizvo zvataichemera
izvozvo kuna tete vedu kuti varatidze nzvimbo
yavo kwete kuda kungoonekwa mukupiwa.
Takadarika nekumusha tichidongorera kuti
kwaive sei tikatosiya tacleaner. Hatina
kudarika nekumba kwana mbuya mai two
taive tati taizovaona takuenda kuHarare
manje takasimuka pamba kwasviba.
Takafamba zvakanaka tikambomira munzira
patakatsvaka chikafu mama vachiti hapana
aizosvika kumba achibika.
Kumba kwedu patakasiira mufaro takawana
wakatimirira tikanhongedzera toenda mberi
neupenyu hwedu. NaInnoe wangu tainyura
murudo zuva nezuva taive takasiyana
nemamwe macouple aive akapedzisira
kupinda murudo musi wemuchato. Izvi
zvinoonekwa nemagariro amunozoita mave
pamwe amwe mashoko amaiudzana muri
mukomana nemusikana anenge aperera ikoko
kwamakabatanidzwa. Isu taidzidza zvitsva
tichibatanidza nezvitsaru zvataive tagara
tichiziva izvi zvaiita kuti rudo rwedu rusimbe.
Vamwe vakaonda murume anotanga
kuvasema akuona sekuti akarasika. Ini ndaive
ndakuzvinzwira ndega kuti muviri wangu
waive wachinja. Mazamu aive aita
seakapomberwa mweya ndakatochinja size
yebra nekuti dzese dzandaive nadzo dzaive
dzisisakwani. Muviri wangu waive wave
nemacolour maviri pamwe pakatsvuka koita
zibhande raibva pamazamu kuenda kumusana
ronoputira magadziko ndaiita sendaive
ndakazora matsito. N’angahadzi dzaidzika
kubva mudumbu nemuzvidya ndaitonamata
kuti dzisanobudikira kutsapfu. Pane zvese
zvandataura hapana chakamusemesa Innoe
aitoti akanzwa ndichichema-chema nekuda
kwekuchinja kwandaive ndaita aiti
“ndozvandinotoda izvozvo hapana
chandinoona chakashata pazviri.”
Aindisimbisa nemashoko ake achindipa
chinzvimbo changu ndaive ndakukwanisa
kuronga naye nekumuonesawo zvimwe
zvaaida kuziva nekupiwa mazano kubasa
kwake. Panyaya dzekubasa ndotenda baba
zvakanyanya vaigara vachimukurudzira kuti
asaite zvinhu zvake ega vachifananidza
nevamwe varume vainzi vaitreater vakadzi
vavo sevana. Murume anoshanda otambira
mari haacharatidzi mukadzi chake
kungobudisa yechikafu imwe yese anoviga
kana kushandisa zvaanoda asina kuronga
nemukadzi. Baba vaiti zvaidzosera mhuri
dzakawanda kumashure izvozvo nekuti
unenge uchitoba mari inenge ichifanira
kusimudzira mhuri. Paunozoona usina
chisvinu chabuda muupenyu wotanga kuti
hama dzinondiroya izvo wakazviroya wega
nekuda kwehumbavha hwawaiita uchiti uri
kuzvidyira mari yeziya rako.
Week yatakadzoka kuBulawayo iyi ndiyo yaive
yauya Paida achibva kuVic-falls. Akatosvika
kuHarare iri Saturday tikaudzwa hedu tiri
kuBulawayo tikavimbisa kuti taizoita plan
yekumuona. Mama vakatosvika vakaenda
kunomuona Monday so ini ndaitoronga kuti
paweekend ndaizoronga ndisangane naye
mutown sezvo ndaisabvumirwa kusvika
kumba. Innoe ndaive ndisati ndamuudza
aibva kubasa akaneta uyu mazuva acho.
Ndakashamisika musi weFriday mbuya mai
Munya vachifona ndichangobva kunotorwa
kuchikoro namama vachiti vaizosvika kumba
manheru naPaida. Ndakafara kani munin’ina
wangu ndaive ndamusuwa zvese zvakaitika
kumashure ndaive ndakatozvirasira kure.
Ndaive aniwo zvake aida upenyu
hwemuchechetere husina machallenges.
Izvozvo zvandaive ndaitirwa namwari kuwana
murume aindida nekundinzvengesa
kumabhinya aida kundibata chibharo zvaive
zvakakura kudarika nhema dzakataurwa
naPaida. Iyewo Paida kupunyuka kwaakaita
mumaoko aJona kwaireva kuti mwari vaida
kutipa mukana wekuti tigadzirise relationship
yedu. Ndakanzi namama ndifonere Innoe
azive kuti kumba kwaizouya vaenzi asi
panguva iyi aisabata foni. Ndakati pamwe
aizofona back kana aona mamissed call maviri
andakamusiira. Takadokerwa nezuva
takugadzirira kugamuchira vaenzi vedu.
Dzimba dzavaizorara dzakatsvairwa
nekuwaridzwa naaunt vakazouya kukitchen
tobatsirana kubika. Mama vakambobuda
vachipinda mutown kunotsvaka madrinks.
Time yakadzoka mama kutown tichitosenga
zvinhu kuisa mumba ndipo pakasvika vana
mbuya vakasiiwa pagate natax yavakauya
nayo. Innoe aive asati afona mama vakati
ndimuudze kuti vaenzi vaive vasvika
ndikaedza kufona zvikaramba zvakare
ndokuzotumira message. Paida akangosvika
achindimbundira akatanga kuchema neniwo
misodzi yakabuda yemufaro kwete
yekurwadziwa nekuti ndakaona shanduko
hombe paari pane zvaakaenda kuVic-falls
akaita. Muviri wake waive usati
wanyatsodzokedzana zvawo tomboti
semunhu aive achangobva kupona asi aive
akasimba ganda rekumeso richipenyerera
zvakanaka. Mbuya mai Munya vakashamisika
nekuchinja kwandaive ndaita nekuda
kwenhumbu.

Mai Munya: yowee nhumbu yekutanga here


inodai nhaiwe rega wakatiza paya kuoffice
uchiuya kumba wakashama namwari waingoti
uchidirwa husvusvu muchibereko ganda
richitotanga kufunuka segwavava kudai.

Ini: masuwa kunditukaka mabva


manditangirira kudai?

Mai Munya: hatina kana basa newe isu


waitaura here Purity?

Vakapinda mumba namama isu tikasara


tichimbundirana zvakare naPaida akati “I miss
you my sister.” Ndakasekerera ndichimutarisa
kumeso ndikati “miss you too my baby -
sister.” Takamboseka takatarisana misodzi
yake ikadonha futi ndichibva ndamupukuta
nemaoko ndikamubata ruoko takutevera
mumba. Jona ndakawedzera kumuvenga musi
uyu aive andikanganisira munin’ina wangu
kuita kumuuraya chaiko. Paida wandaiziva
aisapusa mhani akasvika pavanhu manje apa
aive akaungana mucorner kutogara negadziko
rimwe kuita seaitya vanhu. Aitaura kana
abvunzwa chete mhinduro iri “yes” kana “no”
zvaitonzwisa tsitsi. Nyaya dzakatanga
dzichinakidza mbuya mai Munya
vekusamharwa nenhunzi pamuromo
vaititandadza tichiseka. Baba pavakasvika
vakatotaura kuti “ndanzwa nekuseka mhani
kuti taita vaenzi.” Vaive vaudzwa namama uku
kwaive kutaura kwekuti munhu mukuru
achisvika pakaungana vanhu anozvizivisa.
Baba vakabvunza kuti Innoe aive kupi
tikatarisana namama ndikaona kushushikana
kumeso kwavo. Kubva apa hatina
kumbozogarisika zvinongonyadzisa kuti hama
dzako dzasvika munhu oita seasina basa
nadzo. Nenyadzi ndakangoti ndichipedza
kudya ndikati ndaida kunoverenga. Ndiko
kwakave kuonekana mama vakati tiratidze
vana mbuya pekurara naivowo vaida
kuzorora.
Innoe akazouya naten ndakutemwa nemusoro
nekuchema ndichifunga kuti kana aida kuita
misikanzwa akadii hake kungomirira vana
mbuya vadzokere pane kundinyadzisa
kudaro? Ndoziva kuti hazvina kunaka
kumhanyira kufungira munhu zvakaipa asika
unongozivisa kuti uri busy vanhu vazive kuti
uriko uri mupenyu. Hupenyu hwedu tese
zvedu hwaive padambudziko taisaziva kuti
vanhu kunze uko vaifungei uye kuti ndivanani
vaive shamwari kana vavengi vedu. Baba
vaigara vachitaura kuti “mukufamba ukaona
zvausinganzwisise usazvitorere pasi ibva
wazivisa vamwe chero kukave kuteverwa
nemota ichiedza kukuvhiringa pakufamba.”
Ndaive ndakamutsamwira zvekuputika
chaizvo asi kusvika kwaakaita ndakanzwa
moyo wangu uchinyevenuka. Aigona
kundinyaradza Innoe takatozorara tave in
good books. Kuseni mama vakamuka
vachinotarisa mota kugarage pavakadzoka
takasangana mudining vachibva vabata
pachipfuva pavo “ndange ndichiti haana
kuuya Innoe, handina kumborara
mazipfungwa mupengo achindishungurudza.”
Musi waizoitwa zvakashata naInnoe ndiko
kwaizove kuparara kwevabereki vake
ndaivanzwira tsitsi veduwe rudo rwavo kwaari
rwaive ruya rwakapfurikidza. Ipapa vakanga
vakufara nekugegedzera kuvharirira imba yese
chero pakamuka vana mbuya naPaida
vakatozviona vega kuti paive nemusiyano
nezvaive zvaitika husiku.
Hamheno mapiritsi ainwiwa naPaida kuseni
aipotsa kuita half yeruoko aine macolour
akasiyana-siyana. Ini ndakatomaona
pandakatevera kuroom kwake anenge aida
kunwa akahwanda kuti vanhu vasazive. Ini
handina kumubvunza ndakamutora takuenda
kunomutsa Innoe ndichiedza kuti anzwe
kusununguka aitondinzwisa tsitsi veduwe.
Akazotaura ndakuda kuknocker padoor hanzi
“handisi kukwanisa kutarisana nabamukuru
better tidzokere hedu.” Chiso chake chaive
nekutya ndisingazive kuti kwaive kutya Innoe
ega here kana kuti vanhurume vese vaive
vatove mabhinya kwaari. Innoe akauya
kudining vakakwazisana ndikaita introduction
sekudzidziswa kwandakaitwa namama
Mapanzure patakaenda kuBulawayo.
Ndakavasiya kuti vataure nyaya dzavo
ndichinobatsira aunt kupedzisa kubika.
Handina kumbonogarisa kukitchen
ndakanowana aunt vasiko ndikaona kuti
zvaisaita kusanobata mapoto avo. Ndakawana
Paida akapfugama mudining ndikatarisa Innoe
ndikaona kuti aitove neshock kumeso kwake.
Hamheno zvaaida kutaura Paida ndakanzwa
achiti “bamukuru ndokumbirawo …”
Ndakamubata ruoko ndichida kuti asimuke asi
akatogwadama nemabvi nemagokora
akatanga kupfikura akatunga pasi nemusoro.
Innoe akasimuka akati “enda namainini
kuroom kwavo and make sure kuti she is
comfortable.” Ndiye akabatsira Paida
kusimuka ndikamubata ruoko
ndokumutungamirira kuroom kwaaive arara
husiku. Akanotora nguva achichema
ndichimunyengerera kuti anyarare kusvika
pandakazoti “ndoziva kuti une zvakawanda
mupfungwa but wadii wasiya zvese zvekare
Paida utarisane nekuenda mberi?”

Paida: ndipo pane problem yangu ipapo


vanhu vese hapana anoda kunzwa
zvandinotaura vanomhanyira kuti zvakapfuura
ngazvipere. Zvakapfuura zvacho ndizvo zviri
kundiremera mumoyo ndodawo
anonditeerera ondiudzawo pfungwa dzake.
Mama ndaida kuvakumbira ruregerero
vakandibata muromo vachiti
vakatondiregerera kare. Vanozivawo here
zvakaitika kuzosvika ndavatadzira ndikanowira
zvakadai?

Ini: ndiri kunzwisisa zvauri kutaura but….

Paida: no hausi kunzwisisa mukoma wangu


saka ndoudzawo ani? Chekutanga
ndakakutadzirai mese nabamukuru handingati
handizivi kuti chii chaive chandibata ndinenge
ndichitoda kuhwanda mhosva dzangu.
Makandibatsira ndichirwara pamwe kutaura
kuno ndaidei ndakaora ndikafa nemaronda asi
bamukuru vakandirapisa pane kuti ndivatende
ndakanokubayai nerweseri kuna mama.

Ini: (ndakashaya zvekutaura) umm..

Paida: Jona akandiuraya ndinonyatsonzwa


kuti ndinorarama panyama asi mweya
wakaparara kare. Ndaive ndatopfekwa
nemweya wehumhondi nekuda kwake. Musi
wandakazotorwa kuEpworth ndaive
ndatotenga mushonga wemakonzo ndichiti
ndikangowana mukana chete ndaimuisira
muchikafu vese nemwana wake vofa.

Ini: iii Paida-Paida.


Paida: ichokwadi mukoma wangu ndosaka
ndichiti ndodawo wekuudza ndirerukirwe.
Mavanga ari mumuviri mangu umu ekurohwa
handifungi kuti achazopera.

Ini: ndoda kuziva hangu hamheno kana


mubvunzo wangu usina musoro
undiregererewo. Akanyatsotanga kukurova
zv….

Ndakanyarara tagugudzirwa naaunt vachiti


tiende kunodya ndikavaudza kuti taizodya
time-time. Ndakaona kuti Paida aida kupiwa
mukana wekudurura zvaive pamoyo pake saka
kuramba tongomuvharidzira kwaizomupa
kuramba achirwadziwa.

Ini: ndange ndichiti paakatanga kukurova


zvaive zvaita sei?

Paida: pandakamuudza kuti ndaive ndave


nenhumbu akatanga kungochinja-chinja
asisafoni kana kutumira mamessage. Ndaiti
ndikamubvunza kuti sei asisabatiki aipundura
kuti unodyiwa here unotoda kuti ndirege basa
ndichitaura newe. Handina kuzvitora serious
ndakati pamwe kwaive kuvhunduka
zvaizopera hazvo. Ini achindinyenga
akandinyepera (akamborovanisa maoko)
zvakaoma kani. Ndakanzi mukadzi
ndakamubata ane chikomba red-handed
ndikavati vatorane vaende vese handina
kumbovarwisa. Hanzi chikomba ndicho chaive
chakuda kutorwisa so ndakaendesa mwana
kumusha kuhanzvadzi yangu tikarambana
nemukadzi akaenda kumba kwavo. Zvaaitaura
here waiti ichokwadi izvo yaive way yekuti ini
ndimuone segentleman.

Ini: kunyepa zvake achiziva kuti anoita basa


rekumitisa vana vevanhu.

Paida: akazozvitaura musi wandakatizira


ndinzwe akuverenga vakadzi vane vana vake
ndikati pamwe aida kuti nditize. Akanditora
kumba kweshamwari yake kwaaimbonyepa
achiti ndekwake akanondikanda kuEpworth
akabuda akaenda.

Ini: nezuva rekutanga here?

Paida: asi kudii hake and akanoita three days


asina kudzoka ndichirarama nechikafu
chekutenga pazvishop zvepacorner paye.
Ndaiveka nezvimari zvandakabva nazvo kuno
so paakauya akashamisika aifunga kuti
ndichatiza nzara. Kungomuona kwandakaita
ndakati regai ndimuchemere munhu uyu aone
kuti zvaakaita zvekundisiya ndega ndaisazvida.
Ndaive ndakagara pachidhinha chihombe
zvemablocks zviya so akapinda mumba
akadarika achinditsika pagumbo haana
kumboti sorry ndokunomira ave
kuchiwindow. Akatendeuka akati uri kuita
noise asi rumai rwako rwafa? Saizvozvi henyu
ndakabva ndasimudza musoro kumutarisa
zvikanzi uri kundisemesa nemisodzi yako.
Shungu dzakawedzera kuti shuwa munhu ari
kutoenderera asingaoni kutadza kwake.
Akambobata-bata pahembe dzangu sepaive
nechaive chadonhera zvikanzi ukaramba
uchiita noise uchazvidemba iwe. Hapana
kumbozoita time ndakarohwa mbama
ndakawarairwa ndikanodonha zvakaipa
nekuleft uku ruoko rukasara ruchirwadza.
Ndichida kubvunza kuti aindiroverei
ndakapiwa imwe mbama achibva azoti
ndakuudza kuti handidi kusemeswa nemisodzi
yako. Mahure munonetsa kungoona mota
makutoteverera movhura tukumbo tunenge
twegoritoto naipo pamberi pasinganaki
sepamai. Chese-chese chaaitaura aisasiya
mama mukati zvinova zvakandirwadza
ndichifunga kuvashungurudza kwandakaita
ndichimira naye Jona uyu. Kubva
paakandirova ipapo ndaive ndave ngoma yake
aitotaura kuti ndoda kukurova kusvika gora
rako rawakasenga rabva. Dzimwe nguva
ndainzi ndokuuraya ukatsakatika hapana
anombozviziva kuti ndini. Sick yese
yaakandipa aiti ndini ndakauya nayo
ndakanzwa kani nekuirohwerwa ndichinzi
ndakuhura muEpworth. Aiti apedza kundirova
onwa mapiritsi ekuti nhengo yake imire
ondikwesha kusiya ndisisagone kufamba hanzi
handiti une hosha here yakukutuma kuhura
unenge unotoda donkey chairo. Pandakafona
paya mukazondiendesa kuchipatara ndaive
ndatozvigamuchira kuti ndaizofira musango
asi makandibatsira nabamukuru ndosaka
ndichiti ndipeiwo mukana wekukumbira
ruregero. Taurai nabamukuru vabvume kuti
ndivaudze zviri pamoyo pangu uye kuvatenda
nezvese zvavakandiitira. Ndange
ndichikumbirawo zvakare kuti mutaure
nambuya mai Munya vanotaura namama kuti
vandipe mukana wekuti tigare pasi
ndivakumbire ruregerero. Ndakatadza
ndikaendesa mama kumapurisa ndichizviona
sendakura nhasi ndadzoka ndiri murwere
ndivo vakundichengetera mwana
wandakanonhonga nekuda kwemisikanzwa
yangu.

Ini: mwana haanhongwi Paida


chimbozvibvunza kuti nekurwara kwawakaita
sei mwana akazobuda asingarwari?

Paida: pandakamupona ndaida kumusiya


muchipatara, tave kumba mama vaiti ndiuye
kuzoona vachimugezesa nekumupfekedza but
ndainzwa kumuvenga.

Ini: usatendera Jona kuti akushungurudze iye


ari kujeri. Zvawataura ndazvinzwa yes uri
kuremerwa zvinoda kuti ubudise zviri pamoyo
pako umwe neumwe otaura chokwadi
chezvaakanzwa musi wawakamutadzira then
at the end wonzwa kuti wakaregererwa here.
Ini zvangu pachangu ndakarwadziwa
nezvawakaita kumba kwakapisa mama
vachiita sevachaoma nebp shoko riri rekuti
ndakaisa upenyu hwangu pahold ndichiti
ndikuchengetei nhasi makuita mahure enyika.
Chikoro vaive vati chakona ndikazvirereka
ndazvipira kusiyana naInnoe asi
zvakazogadzirika hazvo. Yaive miyedzo
yemukurarama asi ndowanei ndikaramba
ndakasunga chigumbu hona takazvarwa tiri
two ini ndotoda rubatsiro rwako same
newewo saka kwandiri zvese zvakapfuura.
Ndotokushuvira kuti nerimwe remazuva
ukanganwe zvese zvawakasangana nazvo
uwane mufaro uye uzadzise zvese
zvaunoshuvira muupenyu. Ukange une
zvaunoda usatye kundiudza tionesana
nekupanana mazano.

Paida: (achida kuchema futi) thank you-thank


you mwana wamai vangu ndai….

Ndakamumbundira ndaona akungodzungudza


musoro neshungu ndichibva ndamuvaraidza
ndichibhabhadzira musana wake.

Ini: sezvo mwana asingayamwe wadii kutsvaka


basa wosanowana chinokuwaraidza usati
wadzokera kuchikoro.

Paida: mama vekuVic-falls vakambozvitaura


zvebasa uye mama vaiti ndidzokere kuchikoro
asi ndafunga kusiya zvese ini ndotarisana
nevanhu sei naiyo AIDS iyoyi?
Ini: iii Paida manje ukazvitorera pasi iwe
vanhu vekunze vanozoti chii? Hausi kuitira
vanhu asi zviudze kuti handisi kuzotadziswa
kuita zvakanaka naJona akatadza zveupenyu
hwake. Iye ari kujeri kureva kuti haakodzeri
kugara musociety nevamwe saka izvozvo
ngazvikupe simba rekutoti mangwana
unozomira mberi kwevanhu uchivaudza kuti
you are a living testimony. Mwana
usatombomuvenga zvako kana mama
vakachengeta isu tiri two chingakutadzisa
kuchengeta mumwe chete chii? Ukaramwa
upenyu hwako nehwemwana unenge
wakutosimbisa shoko rinotaurwa nevarume
kuti vakadzi havakwanisi kurarama vega.
Unoziva zvinoita mwari here iwe zvinoshamisa
and panenge` paita makata ndipo
pavanovhura napo nzira. Empower yourself
first ugoona kuti mumakore anotevera
hatiunganire muchato here?

Paida: muchato wekuroorwa here ayewa


handichadi kana kunzwa chinonzi rudo mberi
kwangu.

Ini: imbomira zvako kupika tinozotenda kana


wafa usina kupinda murudo macho.

Takaseka achiramba achiita nharo kuti aisada


zvevarume asi ndakafara kuti chiso chake
chaive chanyevenuka. Innoe akabva apinda
netray yechikafu akati “ndaona kuti
ndingafirwe nemadzimai angu imbodyai.”

End of chapter 30

Love you guys


CHAPTER 31
*Innocent*

Machemero aiita Paida akandiratidza kuti aive


nezvakawanda zvaimunetsa muupenyu
hwake. Kubva pandakanzwa zvaakaita kuna
mama Madondo mazuva aaidanana naJona
ndaingomunzwirawo tsitsi semunhu kwete
kuti ndaimuchenesa. Aive asiri victim of rape
asi vakadanana vakawirirana ndokupanana
nhumbu vachifara. Manje paaichema apa
ndakafunga kuti pamwe mama
vaimushungurudza iye achitarisira kuti
vamunyaradze. Ndaisavarambira mai
Madondo ndakaona zvavakaita pana Purity
patakanyeperwa naye uyu Paida
vakambotongera chibhanditi chaicho. Manje
ndaimubatsira sei, ndepapi pandaizonogarisa
mama pasi ndichivaudzira kuti varange
mwana wavo nenzira ipi. Ndakanetseka
kwazvo pandakasumuka ndakatonozvivharira
kubedroom dai ndakaenda panze paive nana
mama ndaigona kunosvika ndakuchema. Vana
ivava vataifarira kuti taizobatawo kana mwari
atendera vaitipa kushungurudzika kwazvo
neramangwana ravo. Hapana mubereki
anofara kuona mwana wake achiitwa
playground osiiwa achisekwa nenyika yose.
Misodzi yaPaida yaizomutevera Jona
kweupenyu hwese nekuti dai aive pfambi
yemubhawa taiti vakasangana vachiziva
kwavaibva nekwavaienda. She was still young
aifanira kunyarawo nekurwadziwa semubereki
kuti dai ari wake mwana aishungurudzwa
nevarume kudaro ainzwa sei? Varume
vaifanira kuziva kukosha
kwekuzvichengetedza kunoita vana vasikana
kusvika wamuwana ari mhandara. Munzira
yeupenyu mune miyedzo yakawanda yekuti
any mistake chete mumaseconds mashoma-
shoma anenge akutoti “ndaimbove
mhandara.” Ndaifanira kutsvaka nzira
yekumubatsira nayo pane zvese zvaaisangana
nazvo asi manje zvaida ndatanga ndanzwa
kwaari kuti aida rubatsiro rwei. Aunt vakauya
vakandideedza kuti tidye vachiti vaive vabva
kwaive nana Purity vakati vaida kumbopedzisa
nyaya dzavo. Ndakanopinda mudining mama
nambuya mai Munya vavemo vachiseka
tunyaya twavo twaingotangira patwaiperera.

Mama: ko vana vangu vasikana varipi nhai


veduwe tidye zvedu chikafu chichiri kupisa?

Ini: handizivi hangu kuti chii chiri kuitika


namainini but machemero avaita pamabuda
paye vanotoda kutaurwa navo vabatsirike
pachiri pedyo.

Mai Munya: ndaitaura nasekuru vake musi


weChitatu pandakawana achichema muroom
make. Ukamubvunza anongoti dai ndakafa
hangu handikwanise kutarisana nevanhu
nezvandiri.
Mama: ummm anoda kutaurwa naye
tingazvitora sekutamba asi ukanzwa munhu
adzamirwa kusvika pakadaro chenjerai
kumuwana azviuraya.

Ini: ndati Purity avatore amboedza kunzwa


kuti chii chiri kunetsa kana vachida kubatsirwa
tinoedza patinogona napo ipapo.

Mama: zviri pakawanda izvi kutangira kwatiri


vabereki mwana paanokura ngatisatarisirai
zvakanaka zvoga. Chawira mwana
wemuvakidzani wako chinogona kuwirawo
wako mwana chinodiwa manje chakakosha is
the way to deal with any given challenge.
Vanhu vakakomberedza vepedyo vanofanira
kuziva kuti it takes a village to raise a child.
Mwana ndewedu tese kana atadza ngatizivei
mashoko ekutaura nekuti tikaseka ndipo
paanoona sekuti haakodzeri kupiwa umwe
mukana wekutanga upenyu hwake patsva. Iye
muridzi wenyaya anofanira kuzvigashira zvese
zvinenge zviri muupenyu hwake. Ukaudzwa
kuti wakamitiswa wozvitora sekuti wasekwa
icho chiri chokwadi unogara wakasungikana.
Ndinogara ndichitaura nevabereki vane vana
vakaremara kuti pamunoviga vana mumba
muchiti vasaonekwa nevavakidzani hamusi
kuvaprotecter but muri kuvatsikirira. Vanhu
ngavajaire kuti ndizvo zviripo and iwe
mubereki ndiwe unogona kupa mwana wako
chiremerera chaanoda pakati pevamwe.
Mai Munya: ichokwadi zvenyu ndizvo
zvaitaurwa navatete vachiti ndoda aenderere
mberi nechikoro azadzise zvaaive akaronga
muupenyu hwake. Iye Paida anenge akutoda
kudzokera kumashure chese-chese anoti
vanhu vanozoti chii.

Pakataurika zvakawanda ndakanyarara hangu


but ndakaona kuti dambudziko rake raitokura
vanhu vachifunga kuti pamwe kumutora
kwavakaita akauya kumba raipera. Taive
tamirira kunzwa zvaizotaurwa naPurity sezvo
vakapedza nguva refu vakavharirana
vachitaura. Vana mama vakapedza kudya
vakadzokera kunogara panze. Ini
ndakamboenda kuroom kwangu but handina
kunogarisa ndakaona kuti nguva dzaive
dzafamba madam vasati vadya. Mwana
wangu veduwe aifanira kugara akaguta
ndakabva ndanotora chikafu ndikavavigira.
Ndakawana vachitaura nyaya dzavo
vachisekererana ndikatombomira
ndakayeverwa navo. Ndakavaudza kuti ndaive
ndavavigira chikafu zvikanzi naPurity “thanks
hako ndange ndakutoda kufainter nenzara.”

Ini: handina kuvigira iwe ini handiti


waimboonererwa uchiti ndikatenga chikafu
woramba kudya?

Purity: ndiedzeka uone kuti ndoramba here


ndaikuvhara paya?

Ini: zvenyu mainini uyu aitopenga chaiko


akambomhanya kumaindustry uko akashama
achitiz…

Purity: ummm makuhwa munhurume


haunyari?

Paida: taurai henyu bamukuru chii chaive


chaitika?

Ini: ndotya kurambiwa munhu wacho


anodziya musoro uyu.

Nzara aiinzwa chokwadi akatanga kudya asina


kuisira mainini.

Ini: ko mainini nhaiwe?

Purity: ndikamuita muyenzi haazokurumidzi


kujaira, handiti pane macup two apa nendiro
two dzechingwa ngatidye mwana wamai
vangu ukanonoka unondibatira mberi.

Paida: wakazotanga kuda chikafu kudai rini


kkk?
Purity: ndiyeyu akandipandutsa.

Vakadya vakapedza tichinetsana naPurity


aingoita nharo kuita seachandirova.
Ndaimbovatarisa zvangu ndodzungudza
musoro kuti sei veutsinye vasina tsitsi
nenherera. Hapana musikana waunodanana
naye asati akuudza life history yake pamwe
pacho panongoda kufunga wodzokera
kumashure kana kuri kwekuti unenge uchida
hako kumutambisa. Rudo runopandutsa
chero mwana anga akadzikama akabelieviswa
anopenga chaiko kurasika njere.
Ndakamutarisa Paida uyu face yake yaisave
yemunhu akangwarisa zvekudaro. Vana Nashe
ndivo vaifanira kuitirwa hutsinye hwakadai
nekuti mukutaura kwake aitobudisa mashoko
eutsinye nehondo. Akatenda Paida nechikafu
chavaive vadya ndokuti “bamukuru
ndatowana mukana wekutaura nemi sisi
varipo.” Purity akaisa ndiro pasi dzaaive akuda
kubuda nadzo achibva adzokera kunogara
pabed.

Paida: ndange ndichitaura naPurity


ndichikumbira kuti andibatsire kubudisa zviri
pamoyo pangu. Ndaive ndaramba kuuya kuno
nezuro ndichishaya kuti ndozotarisana nemi
sei asi ndaizohwanda kusvika rini better
nditarisane nemhosva dzangu ndini
ndakazvikanda mumoto. Ndokumbirawo
ruregerero bamukuru ndakakunyeperai
mushure mekunge mandibatsira
musingandizive zvachose.

Inindakada kutaura akandirambidza) maini…

Paida: musandiudza kuti zvakadarika


bamukuru mashoko iwayo ari kunditadzisa
kuenda mberi neupenyu. Ndinotarisira
kuudzwa chokwadi nevese vandakatadzira
kuti zvakavabata sei asi vanhu vari kuita
sepasina zvakamboitika. Ndinogamuchira
punishment imwe neimwe hangu nekuti ndini
ndakazviwisira kuna Jona vanhu vakanditsiura
ndikaisa zvitanda munzeve nekutovapomera
kuti vaive negodo. Ndakanyeperwawo naJona
achitaura zvekurota zvega-zvega asi akazoti
andikanganisa ndakaona moto munguva
pfupi-pfupi handifungi kuti ndinofa
ndakakanganwa gehena randakagara
kwaJona.

Ini: (ndakamboseka hangu) ini mainini


handina kumbofanana nevamwe vese vamuri
kureva vanokuudzai nhema. Ndofarira
chokwadi chero mukoma wenyu anozviziva
ndiyo nyaya yatakawirirana tichitanga
kusangana kuti zviri nani kurwadzisana
nechokwadi pane kufadzana nenhema.
Zvamakaita paya makakanganisa ndihwo
hutsinye hwamakaita kwete kwandiri asi
kumukoma wenyu. Ini kuti ndikuzivei
ndiPurity akandiudza nezvenyu saka zvese
zvandakaita mofanira kutenda mukoma
wenyu first. Hamungadi ininika wamaziva
nhasi muchisiya mwana wamai venyu
wamakakura naye kubva muri vadiki? Nhema
dzakaipa pakaitika zvakawanda pamazuva
acho dai mama vaive umwe munhu nhasi
taitarisana sei? Vakandifonera vachitadza
kufema nehasha asi chandakavadira
ndechekuti vakakwanisa kuzvidzora
zvichirema vakasarudza mashoko ekutaura
tikanzwisisana. Ndataura kuti nhema dzakaipa
nekuti kuzosvika patiri nhasi uno inyaya yekuti
makanyeperwa naJona.

Paida: (akatarisa pasi) ichokwadi.

Ini: ini handina kumbokutsamwirai asi


ndongoda kuti mudzidze pane zvakaitika kuti
nhema dzakashata. Chimwezve musati kana
marwadziswa motsivira marwadzo kune
vasina mhosva. Munhu unogara pasi
wozvibvunza wega kuti ndakasvika pandiri apa
sei? Mhinduro haumboishayi manje mukati
vanhu havadi kunditeerera musingatarisi
chaita musateererwa zvoreva kuti pakauya
umwe munhu achikunyengedzai zvakaita Jona
munowira. Musatye kutaura nesu kana pane
zvamunoda. Motofanira kutinetsa chaiko
ibasa redu kukuchengetedzai.

Paida: maita basa bamukuru ndaitoti kuna


mama dai vakandirega ndiri kuVic-falls
ndichinyara kuzotarisana nemi.
Ndakaseka hangu ndikavavimbisa kuti nyaya
yaive yapera vaifanira kutarisana
nekugadzirisa upenyu hwavo. Purity akabuda
achiendesa ndiro tikaona anonoka kudzoka
tikabudawo ndakutenderera namainini
ndichivaratidza pamba pedu. Takaona mukati
muyard tikapedzisira taenda kunze kwegate
tikasvika tichigara pamatombo aive akavakira
maruva. Taitaura zvekuchikoro
ndichivabvunza kuti vaive vakapasser zvakadii
uye vaida kuitei muupenyu hwavo. Vaive
vanyora o’level chete vakambonetseka
nekunyorera maths idzo dzakazobuda
maresults adzo vatokanganiswa naJona.
Zvekuita hazvo zvaisapera chaive chakakosha
kuti vaida here kudzidza kwacho. Vakazoti
“dai zvaibvira ndambowana basa ndoshanda
kusvika panopera gore then January ndoita
zvechikoro. Ndiri kuda nguva yekuti
ndimborera mwana akure ndichibatsira mama
nezvimwewo zvekushandisa
ndisazovaremedza kuti ini futi pamusoro.
Muviri wangu zvakare unoda kuzorora
ndinombonzwa mabayo nekuda kwekurohwa
kwandaiitwa naJona. Dai airova neshamhu
kana belt zvaive nani manje ndaitoti ndikada
kuvharidzira aiti wakuda kudzorera oita
zvemabhutsu chaiwo nezvibhakera.
Ndaitofunga kuti ndichatambura pakubara
nekuda kwemabayo anondinetsa mumbabvu
umu.”

Ini: shame, maidii kureporter kumapurisa


mainini abuse iyoyi iri kuurayisa vakadzi
vakawanda nekuda kwekuti vanonyarara.

Paida: bamukuru ndichitaura kudai mogona


kuti mainini vakuwedzerera. Jona aitaura kuti
ukabva pano paradius yehundred metres
usadzoka unenge watoita chipfambi
chinourayisa. Kuchema uchirohwa kwairovesa
kana kubatirwa banga hanzi wakudeedza
zvikomba zvako.

Ini: makasangana sei chaizvo, maive


nemumwe mukomana here waaiziva?

Paida: kana bamukuru ndaive ndisina munhu


takangosangana ndichienda kutuition centre
kwandaiita maths. Mukomana wandakaita
ndongoti ndepandaive form three taitodzidza
tese tichionana kuchikoro. Hapana kana
chaaiziva pandiri regai ndingoti yaive
shamwari zvelove taitotaura muzvitsamba
zvatainyorerana. Jona akandiwana
ndakakwana bamukuru asi semunhu aive
nemission yake aingotaura chero zvaada kuti
ndirwadziwe ndibve paari.

Ini: maidei makadzokera kumba chero dai


maizorohwa namama asi vaikuregererai
kwete izvi zvekuti musakadzwe nemunhu
wamaiona kuti hapachina rudo zvachose.

Paida: mama ndakavarwadzisa bamukuru


ndotoshaya kuti ndingaitei vakanganwe zvese-
zvese hazvo.

Ini: ngatichiitai zvemberi musazviomesere


makatoita ushingi hunotadziwa nevamwe
vanoti vakaita nhumbu vanomhanya
kunobvisa.

Paida: ndanzwa kurerukirwa nhasi nekutaura


kwandaita nemi nhasi. Kubva zvakaitika zvese
izvi handina kumbowana munhu anondipa
nzeve vese vaingoti kanganwa-kanganwa uku
ini ndichida kuti vandinzwirewo kuti
zvaikanganwika here izvi.

Ini: zvinokanganwikwa kana mazvipira mainini


sezvamafunga zvekuti munoda kutsvaka basa.
Mumabasa munosangana nevanhu
vakasiyana vane avowo matambudziko
mogona kutozoona kuti yenyu nhamo iri nani
nekuti mune vanhu vanokudai vanomira
nemi. Vamwe inherera dzisina mai, baba kana
madzikoma saka akaremerwa anongotatarika
nenhamo dzake kusvika adonha pasina
anomubvunza kuti wave kunzwa sei.

Paida: (akagutsurira musoro).

Ini: kulodge kwambuya mai two kuri kudiwa


vanhu but handisi kuzokutsvakirai basa
muchaenda moga. Handidi kuzonetsana
nambuya pamwe makuita misikanzwa kana
kusateerera muchiti nekuti bamukuru vangu
vakandiunza pano. Chimwezve motanga
mataura namama muchivaudza pfungwa
yenyu musazoti ndanzi nabamukuru naPurity
isu tiri kukuonesai nekutsigira zvamuri
kufunga kuita muupenyu hwenyu chete.
Munotaura navo mune zvakanaka
musatarisire kuti vabve vabvuma chero
vakapopota imi nyararai movapa nguva
yekutarisisa zvamunenge mavaudza vozokupai
mhinduro. Ipapa ndipo patichaona kuti
madzidza here kubva mumistake yenyu iyi.
Uya mukadzi wekutuma vanhu kuzokidnapper
Purity akati awana basa akakanganwa zvaaive
afambira. Munhu haarambidzwe kupinda
murudo asika unopinda neanenge akuda
kwete kungoona murume wototi ndewako.

Paida: chokwadi.

Ini: mukaitiswa umwe mwana mainini chero


neni ndokuudzai pachena kuti ukama
hwapera. Varume variko kunze uko kana
mukazoona makuda kutsvaka zvekuroorwa
budai pachena motaura chokwadi munhu
okudai achiziva zvaakatarisana nazvo. Mukada
kufadza nyama dzenyu zvekudzivirira zviriko
musaite utsinye sezvakaitwa naJona aiziva
kuti akurwara akurega zvake kutaura.

Paida: (vakaseka) hapana wandinomboshuvira


kuti asangane nezvandakasangana nazvo
bamukuru.

Taiudzana chokwadi mukuseka hedu ko vaive


mainini ava neni mune ramangwana ndaigona
kuzodawo mazano kubva kwavari. Purity
akauya akasekerera ari kure paakaona kuti
taiwirirana namainini.

Ini: huya ugare pamakumbo apa.

Purity: ndisiye zvangu wadii kugarisa Paida.

Paida: ndatogara ndikaneta, ko handina kuzoti


makorokotoka emuchato? Makagona guys
musi wacho ndakaswera makumbo akazvimba
nebp aya ndichifunga kuti ndaidei ndakanga
ndiripowo ndichifara nevamwe.

Ini: ini ndakanakidzwa zvangu hamheno


vamwe ava vaingochema vanenge
vainonokerwa nekuhoneymoon.

Purity: (akandirova musoro nembama)


unodenha Innoe ndiye uyu aiti pastor vari
kunonoka ava tiende. Ndakatomuti ko
zvomhanyirwa here ndiripo ini chikuru usina
kufa chete.

Kamunhu aka kaida kuzviita kakangwara


nemachemero aakaita paya achiita
seachapinda muhembe yamama
ndakapererwa. Handidi kunyepa zvangu
takave nenguva yakanaka mufaro wacho
waitoda kuti tiite mazuva akawanda tiri
pamwe. Purity ndakaona kuti kuvepo
kwemunin’ina wake kwakamupa mufaro
umwe wandaisaziva paari. Iye Paida zvake
handingati aive munhu akaoma musoro
akangokanganiswa nekupinda murudo
achibva atendera muviri wake kuita zvese-
zvese. Varume tozvida zvepakati pemakumbo
but ndoona sekuti vakadzi ndivo vanofanira
kuve nesay yakanyanya pamuviri wavo.
Vakaita zuva rese varipo pamba ndikawana
mukana wekutaura nambuya mai Munya
ndichida kunzwisisa nyaya yekuti Purity
aisatenderwa kusvika kumba kunoona mama.
Vakataura zvandakanzwisisa vachiti taigona
kumirira kudarika first trimester togutsikana
kuti nhumbu yaive yakagara zvakanaka then
tokumbira kusungana kwacho kwavaitaura.
Vaiti zvaibvumirwa kuendesa mbudzi chero
nhumbu ichiri diki uye seyekutanga yaitoda
kuti vanhu vaonesane pamwe chete.
Ndakavaudza kuti August tave paholiday
ndipo pataizozviita. Izvi zvinenge zvaisave
nebasa rakawanda sekutanga kubvisa roora.
Vakarara vakamuka vachidzokera kuseni asi
vakavimbisa kuti Paida aigona kumbodzoka
pamazuva aive pedyo achizotiratidza mwana.

Paida aitaura chokwadi paaiti vanhu


vaimuregerera kunze vachimupa smile asi
zvisingabvi mumoyo yavo. Hanzi rakanoita
drama kumba paakaedza kutaura namama
nezvenyaya yake. Takatofonerwa papera five
days vabva kumba kwedu huchitove husiku.
Mama vakauya vakaknocker padoor pedu
kumapast eleven vakati mbuya mai Munya
vaida kutaura naPurity. Akaita on foni yake
akafona tikanzwa voice rekuchema
tikatombopererwa tichifunga kuti pamwe
kwaive kwaitika rufu. Mbuya ndivo vakazoti
“ndimama vari kuchema hanzi ndikafunga
zvakaitwa naPaida ndoona kuti better
ndiende kumba kwedu.” Akange akuda
kuendako Purity achiti hapana paaizokwanisa
kutaura navo vakanzwisisa ari kure. Vakazoita
meeting husiku uyu Purity ari pafoni mama
vakataura pachena kuti nerimwe remazuva
vaida kuripwa nemombe chaiyo naPaida.
Handina kunge ndaziva kuti akambovaudza
uroyi nekuti hasha dzavo dzaikonzerwa
nekushaya murume. Akataura mashoko
anorema kuudza amai kuti “makuda kutora
mukomana wangu ndimika vana mai vanorara
nevakwasha.” Ummm ndakarwadziwa kani
apa munhu wawakatuka kudaro ndiye
wowozopa mutoro futi wekukuchengeta?
Zvimwe zvacho zvairatidza kuti anenge
aitoshandisirwa madrugs naJona nekuti hanzi
aiti kana abva kunomuona aisvika
achizvivharira mumba orara vaizomuona
kuseni akubuda kuenda kubasa. Nyaya
yekuenda kuchikoro nekutsvaka basa
vakaitaura ipapo mama vakanzwisisa painzi
naPaida aida kumbogara pamba kusvika
January ozotanga. Kuchikoro kwacho akanzi
aizotsvaka college yaaida kuenda nezvaaida
kustuder zvacho vaizomubhadharira mari.
Kuenda kuA’level akazvirambira ega achiti
aive arasa mukana wacho. Zvekubasa Purity
akati aizonzwa kwandiri kana kunana sekuru
hatina kuratidzira kuti taive tambotaura
nezvazvo ndaisada kuita mukwasha anoronga
zvekwaambuya.
Vakasvika kumapast one vachitaura
ndikazonzwa Purity akuseka achiti kuna mama
“neniwo ndakusuwai henyu
musazondikanganwa makuita zvemuzukuru
wenyu chete.”

Mumazuva akatevera ndakanzwa mbuya mai


Two vachiti vaive vamutora Paida kulodge
kwavo. Aive serious neupenyu hwake dai aive
umwe aitoyema kuti bamukuru` nditsvakirei
asi akashinga kuenda ega vakanotaurirana
ndokuwirirana. Havana kuzomupa basa
rekucleaner zvavo vaiti aibatsirana
nemusikana wepareception achidzidzira
kuitira kuti vagoshanda vachiita zvemashift.
NaPurity hatina kumboita problem taiwedzera
kuve mabest friends zuva nezuva.

End of chapter 31

Love you guys


CHAPTER 32

*Purity*

Nyaya dzaPaida namama yes dzaindirwadza


but pamwe pacho ndaishaya kuti vese
ndovatanga sei. Mazuva akaitika nyaya
dzaJona idzi ndini ndaipedzisira kusvika
pamba zuva rakudoka. Ndaiona kuti pane
tension asi waiti ukabvunza Paida aipindura
kuti “bvunza ivava kuti problem yavo ndeyei?”
Aitaura asina hanya achirasa maoko seaiona
mwana mudiki kwaari. Mama vaisadaira
vaingotendeuka nekuyeredza misodzi
uchitoona wega kuti pabva kugashidzanwa
magara moyo emashoko. Paida hapana kana
chaaibata mumba aingodya kana achida osiya
ndiro ipapo kana kuramba chikafu
akazvivharira kuroom kwake. Dzimwe nyaya
ndaitonzwa kana ndahwandira mama
vachitaura namother avo ndivo vaiudzwa
zvese vachiti vawane munhu mukuru anovapa
mazano. Chavasina kuziva ndechekuti mother
yaitovewo nyoka zvayo vaitofarira kuchema
kwaigara kuchiita mama. Zvekuti Paida
aishandisirwa madrugs izvo ndakazviona
hangu ndikati handingawedzeri amwe
mashoko kuna mama vaizofa nebp. Paida
tongoti aive atogarwa nedemon ko mama
chakavatadzisa kuudzawo ini zvaivanetsa chii?
Dai Paida asina kumitiswa iniwo ndikaroorwa
taidei taingobatwa sevana vacheche.
Zvaivaremera kuzvigashira kuti ndaive
ndatodarika eighteen years. Ndizvo zvakare
zvavakaita panyaya yaInnoe vakangogashira
makuhwa vakauya vachivira nehasha mumba
havana kundipa mukana wekuti tionesane
kana dzaive chokwadi kana nhema. Zvino
Paida zvaaida kuti ndimusvitsire zvichemo
zvake ndaivati chii pamwe vaizoshanduka
vave kuti tavagara dare? Mama ndaivada
nemoyo wese uye zvese zvandaiita ndaitarisa
kwavari vaive mukadzi ane hushingi uye
vaishanda nesimba. Hapana pandaizovaona
sevasingatide ivo vakatirera tikakura tisina
chataishaya. Iroro ndiro dambudziko rega
randaiona kuti rakatoramba kubva pavari
zvaitoda kuti nditaure nambuya mai Munya
vonovaudza ivo kana kutopotera nekuna
sekuru baba Munya. Paida vakamunonokera
mama kumutsiura vachingoti “mwana wangu
wepamukaka” vasingazive kuti akatotangirira
zvevakomana achiri kuform two zvake.
Ndaiona zvitsamba zvaanyora nekunyorerwa
zvemisikanzwa zvega-zvega hanzi “one leg up,
one leg down to make a baby.” Chikomana
chake ndicho chainyanya kunyora
zvinonyadzisira chinenge chaitoda kumuita
mukadzi chikakundikana.
Mbuya mai Munya ndakazowana mukana
wekutaura navo vasati vadzokera kumba.
Havana kumbohwanda vakataura pachena
kuti vaisandivimbisa kuti zvaizobudirira nekuti
naivo vaitya kutaura nyaya dzakadaro dzaisave
mumaoko avo. Zvaida tete ndivo vaive nyore
chero kutodana dare mumusha manje ii tete
vedu vaya taigona kutotanga imwe hondo
tichiti tiri kuedza kugadzirisa zvidiki. Ivo vaive
vaenda vachiti vakarohwa vaida kuripwa
pamwe vaitozoti zvinhu zvacho zvekuripwa
mberi then vozotaura nyaya vagutsikana. Iyi
nyaya yaitoda kugadziriswa nekukasika nekuti
Paida aidyika mukati seaive adirwa acid.
Mama ndaitoziva kuti zvaivaremera nekuti
pakasvika mbuya tikakwazisana ndikabvunza
kuti mama vaive sei vakapindura kuti vaive
vavasiya vachichema-chema nekutemwa
nemusoro.
Mbuya naPaida vakadzokera vakanoita
mazuva vakanyarara ndichitoshaya kuti
ndovabvunza sei kuti nyaya yedu
vachaifambisa sei. Mama vakangofona
vachitenda mari yavakatumirwa nemukwasha
wavo chete. Yaive yekutenga grocery ndizvo
zvaaive akuita Innoe aiti aida kuvaspoiler
nekuti vakamubarira mukadzi. ZvaInnoe here
hanzi “ukabarirwa mukadzi anonaka
unofanira kutenda vamwe vari kudya mvura
mudzimba umu pane kuti vaite yekunwa.”
Ndaingoseka zvangu ndaigoti chii neniwo
ndainzwa kunaka kwazvo zvinhu zviya saka
ndakangoti kana zviri izvo zvaainzwawo saka
airevesa.
Zvisinei hazvo pakazofona mbuya vakangoti
vaive vataura namama vakatoita vekuendera
kubasa saka nyaya yacho yaizotaurwa
manheru vadzoka kubasa. Zvaitoita sekuti
vakagamuchira nyaya nyore ko ndaizivei kuti
kuchaita bongozozo. Ndaive ndatobva kupiwa
sleeping tablet naInnoe tichisimbisa mwana
wedu saka hope dzakanyatsonditsikirira
ndikanopinda muzviroto zvandakapepuka
ndisingayeuki ndofunga zvaingove
zvekundivaraidza kutsi kwehope ikoko.
Ndaitoda kumuti “Innoe ungandimutsa isu
tabva kuita here” ndaive ndisingadi aive
andikwesha ndikasara ndichinzwa
kakurwadziwa. Akagona akakurumidza
kundidimbudzira achiti mama vaida kutaura
neni. Vaidei vakanzwa zvinyadzi zvemukwasha
aizonyarira payi murume wangu? Ndakatora
foni ndikanzwa “Purity-Purity mwanangu
ndakatadzei ini inga ndokudai wani?”
Ndakashamisika kuti yave ipizve iyi ndikati
“mama ko maitwa sei?” Ini ndaifunga kuti
pamwe vaireva nyaya yekuti ndaisaenda
kunovaona but chikonzero vaichiziva wani
taida kuita zvakanaka kwete kudimbudzira
shona yedu.

Mama: ndakaudzwa uroyi naPaida ini munoti


dai ndaive neutsinye ndaishingirira here
kukurerai vanangu kusvika makura kudai.
Murume wandinoziva ndibaba venyu chete
ndakachera chikomba ndikati handife
ndakatamba umwenga zvakare vana vangu
ndivo vachave murume wangu kusvika ndafa.
Ndakaudzwa chipfambi chandisingazive kuti
chinoitwa nemutowo upi nhasi Paida akuti
ndaive ndabatwa naSatan. Hakuna munhu
anopenga mhani anofamba achizvirova
chipfuva kuti ndopenga ini. Ukaona achidaro
anenge achiita achiziva ozotsvaka
pekuhwanda napo.

Ini: mama ndiri kunzwa zvamuri kutaura


neniwo zvinondirwadza asi ndakutyira utano
hwenyu nekuti makabvirira kare muchichema
nenyaya iyi. Zvaadzoka pamba akati
ndiregerereiwo dai mamugashira nemoyo asi
momupa mutemo wamunoti akadarika
hapachina kuregererana zvakare.

Mama: ndinogona kumuregerera asi


kukanganwa hakuite mwanangu ronda
raakandipa pamoyo rakakurisa.
Ini: Paida ari kurwara mama utano hwake
hunoda kuti agare achifara ndiko kuti
akwanise kudzokedzana nyama ararame
sevamwe vese vasina utachiona kunze uko.
Chikafu hachikwanise kumupa utano chiri
chega asi rudo rwangu nemi nevese
vakamukomberedza ndiwo mushonga
mukuru. Ndoona sekuti punishment yake
akaiwana ini musatambe nekungopiwa
urwere nemunhu wawange uchivimba
wapedza wakunochema rubatsiro kune
vawaimbotarisira pasi futi. Chero dai ange
asingarwari mama but kudzoka akazvirereka
dzungu rese raundurwa nevagoni
akatorangwa chizvigashirai hatina
wekumuramwira.

Mama: (vachinzwikwa kudzikama) wataura


chokwadi Purity pese apa ndaiti
ndikamutarisa ndaiona sekuti akadzoka
kuzotsvaka pekutangira kuti
agondishungurudza futi pamba pangu.
Ndaitombofunga kuti ko kana
ndikamutsvakira kwekugara ndichibhadhara
rent ariko nekumutengera chikafu.

Ini: mama veduwe.

Mama: chokwadi ndaida kugara ndaavoider


mashoko unomuziva munin’ina wako kana
ashama muromo kutaura anorutsa mashoko
anobaya uyu.

Ini: handisi kuramba asi dai mamupa last


chance akazorasikawo aaa munobva mageza
maoko. Musambomirira kuti atange akutukai
munongomuudza kuti zvangu newe zvaperera
pano.

Mama: ndichataura nababa Munya vagosvitsa


nyaya yangu kune dzimwe hama dzangu.
Chero ndikafa ndoda muzive kuti Paida
anofanira kundiripa nemombe chaiyo
yaanopa hama dzangu otaurira achikumbira
ruregerero.

Ini: ndazvinzwa mama uye ndotenda


nekudzora moyo kwamaita.

Mama: ndini ndofanira kutokuti sorry hona


ndakumutsa ndichikuremedza nenyaya dzedu
dzekuno.

Ini: hamuna kumbokanganisa mama neniwo


ndinotodzidza zvakawanda pamunenge
muchitsiura Paida ipapa.

Mama: chirega ndinopa muzukuru wangu


mukaka anenge amuka.

Veduwe kuzvara uku dai taive nesimba


rekuzvidzora tairishandisa zvakanyanya
pakudzivirira kutsamwisa vabereki vedu.
Chero ukakura zvakadii haushayi zuva rimwe
raunoda zano kubva kumubereki wako.
Ndaive ndaudzwa hangu nambuya mai Munya
kuti kubva zvakadzoka Paida hapana
chaaibata chemwana. Mama vaiwacha,
kubikira, kugezesa nekurara futi ndivo vairara
naye muroom mavo. Panguva iyi hanzi vaiti
vaida kumupa mukana wekuzorodza nyama
nepfungwa. Weekend yataive takatarisana
nayo kwaitonzi ndipo paizosvika mother
vechikuru vavakatsvaka through agent ndivo
vaizorera mwana. Kushanda kwamama uku
kwavaiita pamwana waPaida kwaive paviri
zvapo sezvo vaive vasati vamuregerera
mumoyo mavo. Pane umwe munhu anoti
akatsamwa anopedzera shungu mukashanda
sebhinya. Pamwe ndizvo zvaiita mama apa
kana kuti pamwe vaitoita nerudo chairwo
kufarira kuti vaive vakwanisa kurarama
kusvika pakubata muzukuru mumaoko avo.
Paida ndakazotaura naye kuseni ndave
kuchikoro paakanditumira message paapp.
Akatenda nekutaura kwandakaita namama
akavimbisa kuti aizoteerera zvese
zvavaizomuraira. Aifara kuti vaive
vamubvumidza kutsvaka basa uye kuti
aizoenda kuchikoro muna January. Course
yaaida kuita aive asati ave nechokwadi kuti
yaizove yei nekuti paakataura airatidza kuti
aive nemaoption matatu. Ndakamutsiudza
pafoni ipapo kuti kana aizodzokorora hapana
aizomupa nzeve yekuturira mashoko.
Ndaiveka ndisina kumbotaura naye zvakadzika
aingoti Purity haatauri nekuti kare aiti chero
akandibhowa ndaigona kungochema
ndopedza shungu. Zvaikonzerwa nekumuda
kwakanyanyisa kwandaiita ndaiti
ndikamutarisa kudai ndaiona chinhu
chakakoshesesa muupenyu hwangu. Ndaiona
sekuti mbama chaiyo yaigona kutiparadzanisa
ndisingazive kuti kutaura chokwadi nekuranga
munhu kana akutadzira kazhinji ndizvo
zvinotokubatanidzai. Zvekurarama
muchamuhwande-muhwande zviya zvakaipa
nekuti munhu haazozive kuti zvaari kuita
zvakanaka here kana kwete. Ndakamuti
“Paida waramba kuenda kuA’level wega ukati
wakushandisa certificate yako yeordinary
level. Hapana akuti mari haipo chero mama
vakati zvese ndoita kusvika wawana basa
raunenge waitira course. Mangwana hatidi
anozouya nemastory akunyepa kuti
akashaiswa mukana vamwe vachiitirwa
favour. Munhu ndeanogutsikana nezvaanenge
aitirwa watove mubereki iwe usatarisire kuti
mama vakuitire zvese sezvavaiita kare. Nhema
dzinoputsa ukama kana wafunga kutaura
nyaya tanga waongorora mativi ese kuti
inokonzera madamages akadii. Handiti waona
kuti taita kukomberana mama tichivati
vanzwisise kwauri kubva nekwauri kuenda
usazokonzera kuti mangwana mama
vatisumbe nezvigunwe kuti ivava ndivo
vakanditi zvakati nezvakati chionai munhu
wenyu. Ndokumbirawo uregerere Jona uwane
peace mumoyo mako. Dai zvaibvira nerimwe
remazuva kana makore waienda kunomuona
wonomuratidza mwana wake. Mufaro
waachaona pauri uchimuudza kuti
wakamuregerera uchamupa mavanga
akafanana neaakakupa ese zvawo.
Unotomuudza kuti unoda address yekumusha
kwake chaiko mwana asvike pamusha.
Muratidze kuti ndiye aive dambudziko
parelationship yenyu.

Paida: ndaive ndisina kumbozvifunga zvese


izvozvo.

Ini: ndosaka una big sisi (ndakaseka) mashoko


akadaro munin’ina wangu anokuzarurira nzira
yeupenyu zvekuti vanhu vanozokuti wakabata
mushonga.

Paida: mbuya mai Munya vaitombodaro


vachiti vakaona ndichichema voti inyaya
yekuti hauna kutaura mashoko ekudzinga
mweya waJona pauri.

Ini: yes vairevesa nekuti mweya wake auendi


kana usina kuudzinga handiti mune mwana
mese? Paunenge wakuda kukanganwa
unobva waona mwana wotofunga
zvekumashure. Mwana mugashire
wotozviudza kuti ndini amai nababa vako
hapana umwe munhu wandichachemera musi
waunorwara ndini ndichazvinyaradza
ndakatarisa kuna mwari.
Paida: (akamboseka) vanhu
vanoparadzaniswa nenyaya diki-diki hako
Purity. Ndini ndakasangana naJona
tikanyeperana asi aive atondibira vanhu vese
vandakakura ndiri pedyo navo. Handineti kuti
sorry uye ndoda uzive kuti I love you-love
you-love you kasingaverengeki.

Ini: love you too munin’ina wangu.

Paida: asi nhasi watiza muclass?

Ini: kana zvangu ndakamirira kuzopinda


naeleven ndabuda mune imwe lecture nahalf
past nine.

Paida: okay rega ndimbogadzirira


zvekunotsvaka basa kwambuya mai two.
Hamheno kuti ndonosvika ndichiti chii pamwe
vacharamba havo vachiti semurwere.

Ini: mbuya mai two havadaro avo


chinongodiwa kutaura chokwadi voona ivo
kuti nderipi basa rinoenderana newe.

Ndakasara ndakatarisa foni ndichisekerera izvi


zvaikonzerwa nerudo rwandaive narwo
pamwana wamai vangu.

Kubva musi uyu taive takutaura tese nguva


dzese uri mufaro bedzi-bedzi. NaInnoe
vaitaura vose zvakare aitofara kuti
zvaaishuvira zvaive zvazadzikiswa mongoziva
semwana akakura ari ega aisada kurasikirwa
nehama chero imwe chete zvayo.
Vaitombosangana kubasa kwaPaida kulodge
kwambuya mai two achiuya achindiudza kuti
airecover zvakanaka Paida zvekuti vanhu
vaisatomboona kuti airwara. Ndaibva
ndatsiura munin’ina wangu kuti
asazovarairwa nekutsvukira nekusimba
kwaaive akuita onyengedzwa nevarume
vakasiyana-siyana vaisvika kubasa kwake.
Umwe unotozotya kumuruza woti haungarevi
kuti unonwa mapiritsi izvo wakuisa hwako
upenyu panjodzi. Aiteerera zvake odavira
achiseka hanzi “mapiritsi angu ndiwo
andisingafe ndakasiya nekuti akandiratidza
kuti kuseri kwawo kune upenyu.”

Ndakamboenda kwambuya mai two imwe


weekend ndichinovatenda hangu nekupa
Paida basa. Taive tatove musecond week
yaJuly ndakatowana mukana paive paenda
Innoe nasekuru baba two kuSouth-Africa.
Mama vaive vasipo zvakare, pafirst week
yaJuly vakarongana nambuya mai Farai kuti
vambodzokera kuSouth-Africa kunoona
mwana (Nathan). Mama vambuya mai Natie
vaive vadzoka vakatombonzi vaive kupurazi
kwavakagara mazuva akawanda vachiona
hanzi bamukuru mukoma wemurume wavo
vairwara. Vana mama vaitoda kumboenda
kunovaona vakatadziswa nekuti mazuva acho
vainzi vaive vatakurwa vakaendeswa kune
mumwe muporofita aivarapa. Handina
kuzonzwa kuti zvakafamba sei pamwe
vakazopora kana kuti vaingoveko vachirapiwa.
Kwambuya mai two ndakaenda netax yandaiti
kana mama naInnoe vasipo vese ndiyo
yaindiperekedza kuchikoro. Ndaiziva hangu
kuti pakudzoka mbuya vaizouya neni
vondisiya. Ndakawana mbuya vakaita kugarira
moto kwaitonhorazve July chando chinenge
chorovera ruonekedzo. Vaive vavesa moto
pedyo nekugate vachikanga nzungu nyoro
dzavaiti vaive vatumirwa kubva kumusha.
Vakatofara nekusvika kwandakaita vachiti vari
vega vaisambonzwa kuda kudya saka apa
vaive vazowana munhu aizovabatsira
pachikafu. Takanopinda mumba hedu imo
maipenya kuita seuchazviona pasi. Mbuya
havo vaive munhu uya asingadadi ko
waimbofunga here kuti ndivo vaive nelodge
yaiti wakaitarisa waifunga kuti muridzi aive
minister kana murungu chaiye. Paida aigara
achivarumbidza hanzi vanhu vaitoedza
kuitirana makuhwa nekuda zvinzvimbo but
mbuya vaigona kuyananisa pese paiitika
kusanzwisisana vasingatore side. Dai vaive
umwe wedzungu ipapa vaitoti weekend take-
take nevashandi asi ndivava vaitopuruzira
makumbo sevachaita mbare nemoto.
Ndakatovawanzira tichipinda mumba ndikati
“muchaita mbare mbuya nemoto wamada
uyu.”

Mai two: (vakaseka) mbare here muzukuru


taimbodziita zvekuti dzaizopedzisira dzave
maronda mumakumbo umu. Unoti
ndinombonyara here ndotomboseka
nasekuru vako ndichibika miriwo yedu
yekumusha ivo vanenge vachisema hanzi
kudya masora. Chinoita usarasika muzukuru
kuziva kwawakabva manje ukaona wakugona
kutaura chirungu ukati shona hauchataure
ziva kuti nezvese zvine chekuti netsika
nemagariro ako wakutosiya. Manje chinoitika
pane zvekubatira padenga ndechekuti zvimwe
hauzozive zvese unokanganwa. Ipapa kana
ndakadai ndinobva ndatoona ndiri kumusha
zvangu pamwe ndotombobuda misodzi.

Ini: ichokwadi mbuya.

Vakambonodziisa chibage chaive chakabikwa


vachitaura vachideedzera vari kukitchen
tichiseka hedu. Vakazouya vakati
vaitombofunga kuuya kumba kuzondiona
havo vachifambisa nguva kuti zuva ridoke.

Ini: ndaingoverengera ndichiti ndichaenda-


ndichaenda manje ndaibva ndawandirwa
nezvekuita basa racho rekuchikoro iri
rinorwadza. Sezvo ndichienda paattatchment
next year ndofanira kushinga mbuya gore
rino.

Mai two: chikoro wakazvitakura kudai


zvinotoda kuzvipira ini ndaimbochema
nenhumbu yana two apa yaida zvekurara
masikati ndaipedzisira ndakunzwa maziso.

Ini: ini hangu handirari muclass ndinozongoti


ndapinda munzira kudzoka kumba chero
ndikagujurwa zvakadii handizvinzwi.

Mai two: shame, asi manje zvakanakira kuti


panobuda zuva nekudoka kwaro inhanho dziri
kuverengwa uchisebera kunozorora.

Vakasumuka zvakare vakati vaive


vakunogadzira chikafu kukitchen. Ndaida
kuenda navo vakaramba hanzi “unozotanga
kusave muenzi kana ndakubikira
chimbozorora.” Mbuya mai two vaisanyeya
munhu taingotaura nyaya dzakanangana nesu
chete pasina mazita evamwe. Ndizvo
zvandaida hangu izvi, zvemakuhwa ndaizvitya
vakawanda vandaiona vachikanganisa upenyu
hwavo nekusagona kudzora muromo.
Chimwezve vaisadada nezvavaive nazvo
hapana pandakanzwa vachisimudza
mapendekete nezvelodge kana kubasa kwavo
kwavaishanda. Zvekudzidza zvavaiita taingoita
zvekunzwa isu hapana pavaiti “hee kuverenga
online.”
Pavakapedza kubika ndipo pandakazoisa
nyaya yangu mudariro ndikati “mbuya
ndotenda chose nekutora kwamakaita Paida
kubasa.”
Mai two: aaa muzukuru pachedu neniwo
ndinotenda nekuti kuvepo kwake kureva kuti
ari kundikubatsirawo basa range
rakanditsikirira. Kutorana pabasa hapana
anenge aitira umwe favour handiti ini
ndinenge ndichida kubetserwa iyewo
achidawo kubetserwa.

Ini: ndizvozvo mbuya asika akutokwanisa


kuwana mari yaange asina u….

Mai two: neniwo ndakukwanisa kuwana basa


rafamba ndiri ndega handaizvikwanisa.
Pabasa nemari chakakosha ibasa nekuti mari
ukaigadzika pamusoro pemutsvairo haumbofe
wakawana mumba machena. Akangwara
Paida uye anokurumidza kubata zvaanenge
adzidziswa. Ndiye akushanda masikati
pareception then manheru panopinda umwe
kuitira kuti awane nguva nemwana.
Usambonetseka naye tinotaura zvakawanda
akasununguka anotoda kugadzirisa zvese
zvakakanganisika muupenyu hwake.

Ini: ndaitomutyira kuti segotwe achayema


kana kuti achati pabasa pambuya vangu.

Mai two: umm kuda hake akazochinja asi


zvazvino excellent handina chekushora paari.
Chero Mapanzure aitomboti mbuya musatye
kutaura kana mainini vakuita usimbe ndikati
uyu handimborevi kunani zvangu ndotaura
naye kusvika anzwisisa.

Kumba kwaive naaunty chete baba vakaenda


namama kuSouth-Africa asi ndakanzwa sekuti
vainodarikira. Ndakaisira mama naInnoe
message kuti ndaizorara kwambuya mai two
ndomuka ndichidzokera kumba. Ndaida
kudzokera sekuvimbisa kwandaive ndaita asi
mbuya vakati ndaizorarawo kumba kwavo rini
ndizvo zvakandipa kuchinja. Ndaitoda
kubvunzawo zvenhumbu nezvimwewo
zvandaida kuziva handiti zvinonzi “kuziva
mbuya huudzwa?” Umm vaiziva zvakawanda
mbuya vakandiudza zvemishonga yekudzora
kuzasi ndapona uye imwe yekushandisa kana
ndichida kupona zvakanaka
ndisingatsemukire. Ndakatoshamisika vachiti
mbuya vavo ndivo vaiziva zvese izvozvo but
vaisaratidza henyu yaive gogo iri smart.
Vamwe vakaziva mishonga iii vanenge voti
tsvina, zvuma nekutoita sevanorasika njere.
Kuda inyaya yekuti vaisaita zvekurapa
zvekuunganirwa nevanhu vaingobatsira hama
dzepedyo chete. Ndakataura hangu nyaya
yaPaida ndichida kunzwa kuti mama zvavaiti
vaida kuripwa nemombe zvaiita here kuti
tigobatsirana kutenga mombe yacho
kubatsirawo munin’ina wangu.

Mai two: kubatsirana ndiko kwakanaka kana


umwe atadza mufamily munoisa musoro
pamwe kuitira mangwana ukatadzawo
munobetserana ndiko kubatana kwacho.
Muchibatsirana kudaro munofanira kuudzana
chokwadi nekuyeuchidzana kwamakabva.
Zvandamboreva zviya kuti ukagona kutaura
chirungu woti handichagoni shona unenge
watorasika. Usakanganwe kwawakabva sesu
takazoendeswa kuuniversity nevarume
unonzwa zvave kunzi dai asiri iye ndisina
kusvika pandiri apa. Unokanganwa kuti
hapana pawaizoenda kuUniversity usina
kubva nekugrade one yawaitamburirwa namai
vako kuti uwane zvakakwana zvekushandisa.
Muti unoita michero kana wakura asi
unokudzwa nemidzi so chero ukazofarisa
munhu usakanganwe midzi yako. Ndizvo
zvamunofanira kumuudza Paida kuti
ungapiwe zvese nemurume mari, rudo,
zvekupfeka zvakanaka, pekugara nezvimwe
zvaungafungira asi sadza chairo rakamurera
kusvika aonekera nemurume iyeye ngaazive
kwaraibva. Vanhu vakawanda vane moyo
yevana vadiki vanoti vakapiwa masweets
vanorasa sadza kusaziva kuti masweets
haagutse anongotapirisa mukanwa nguva
iyoyo zvapera.

Dai zvaibvira ndaichinja hangu ndodeedza


mbuya mai Two kuti vakoma nekuti ndaiti
ndikavatarisa kudai ndainzwa kuti ndawana
sisi vandisina kukura navo. Ini ndaitoda
kudzidza zvakawanda kunyanya kuvanhu
vaiita zvakanaka ndizvo zvaizondiita mukadzi
akarongeka. Seni ndaitove one muroora
yaitove challenge iyoyo nekuti ndaizove amai
vevanhu vakawanda. Ndaitombosekwa
nevazukuru vekuAmerica vana mai Ashie
vachiti “mbuya munopedza mari yasekuru imi
kana taita dambudziko tokuzivisai.” Ndaifona
ini nekutumira mamessage pese pandaiwana
mukana nekuti ndaiziva kuti mashoko ndiwo
anovaka hukama.
Kwambuya mai two ndakabva kuseni
pandakapedza kuvabatsira kucleaner tikadya
breakfast vakazondiperekedza. Havana zvavo
kunopinda gate vakanga vafonerwa namama
vavo saka vaisanyatsonzwanana nekuda
kwenoise yemota. Vaive vaudzwa zverufu
vakaratidza kuvhunduka chaizvo nekubatikana
asi manje pavaive vakuda kubvunza
chakakonzeresa ndipo paive pakunetsa
network. Ndakangonzwa vachiti “iii zvakaoma
nhaimi pasi pano idandaro shuwa. Mai Vivian
kufa chaiko-chaiko hazvibvumike izvi ko
vakaonei? Vairwara here inga patakaenda
kumusha paya vainzi vaive kuvana vavo
wani?” Ndaisavaziva mai Vivian vacho uye
vakati vaive mai vemuraini saka
ndakangovabata maoko zvikapera zvakadaro.
Chimwezve vakanga vachiratidza kuve
mushock saka takasara tosvika pagate
vakuvarairwa vachiratidza kuti pfungwa dzavo
dzaive kure. Ndakatadza` kugarisika
ndakutyira kuti pamwe vaizotadza kufamba
zvakanaka kudzokera kumba. Vakandifonera
vasvika vakaseka vachiti vaida kufona
panumber dzamama vavo zvino vakabva vaita
mistake vakafonera ini asi ndakatozovabvunza
kuti vaive vafamba zvakanaka here ndikanzwa
kugadzikana.
End of chapter 32

Love you guys


CHAPTER 33

*Innocent*
Ndaimbosvika munzvimbo dzine vanhu
vanoda vakadzi asi zvandakazoona palodge
pambuya mai Two zvaive zvakaoma.
Pavakavhura takaenda first day just kunoona
nekuisa munamato waitungamirirwa
namama. Mumazuva akatevera ndakave busy
kubasa kwangu ndipo zvakare pakauya nyaya
dzaPaida zvakakonzeresa kuti ndiite mazuva
ndisina kuona sekuru Nigel. Vakazoita
kundidana kuti pese pandaiwana nguva
ndisvike kulodge tichitandara zvedu. Paida
ndiye aive mudiki pavashandi vese palodge
apa. Aive akunzwira zvese mvura, chikafu
mumuviri kozoti body chaiyo vaisashoreka
vana vekwaMadondo. Wangu Purity inhumbu
zvayo yaive yakuda kumukanganisa but
aiyevedza ndaitoziva kuti paaizoita mwana
aidzokera pabody yake yakare. Zvino nguva
yataienda kulodge nasekuru tainogara
pamacouch aive mureception tichinwa
madrinks edu nekuona bhora patv. Vanhu
vaitiona vaigona kufunga kuti taingovewo
vamwe vevaiuya kuzozorora. Paiitwa
zvakawanda palodge pacho vanoda marooms
ekutandara nevakadzi vavaiuya navo vaienda
kudepartment ravo vachiitirana noise ikoko.
Sekuru vaitofunga kuita parking lot yematruck
kunze nekuti waiwana paside peroad
pakazara-zara vamwe vaizorora kana vafamba
nzendo refu kotiwo ivava vevakadzi zvakare.
Kuita parking lot kwaizobatsira kuti
vaibhadhara futi kuchengeterwa mota dzavo
vakazorora. Pane vamwe vaivinga chikafu
mbuya mai two vaive vaintroducer traditional
meals saka vanhu vaitouya kuzongodya chete
voenda. Vese ava vaidarika nepareception
ndipo paizoita nyaya vaona mwana
wekwaMadondo. Vamwe vaitoda
kukwikwidza nemari kuti vadiwe taibva taseka
nasekuru setinoona tv izvo taive neredu
drama tega. Pane umwe mudhara aitove zera
radad vangu akauya nemakey emota ekuzopa
Paida akabudisa zvakare mari maUSA.
Kuzouya akapfeka semwana mudiki kani
majean edu anobata aya net-shirt zvino
nekuda kwedumbu pakatsemuka
pemagadziko paifamba pachionekera. Uyo
ndiye akasangana nazvo aifunga kuti mari
nemota zvinoita kuti Paida awire mumaoko
ake nyore. Takanzwa yave noise achitemwa
nemari yake nemakey. Akanovhiringidzwa
nechair akadonha ndokuteverwa akagarirwa
zvibhakera zvikasangana naye mumusoo.
Takamborega kubata tichiseka asi patakaona
akuchema Paida takaziva kuti aive amutsirwa
mavanga aakapiwa naJona. Airova musoro
nematama nezvibhakera achiti “imbwa-
imbwa dzisinganyari varume munongofunga
kuti vakadzi vanofanira kuita zvamunoda.
Zidhara rakadai mune mukadzi nevana
nevazukuru makutevererana neni mwana
mudiki kuda kundikanganisira upenyu hwangu
chete. Kwandinobva munokuziva here munoti
munoda kutondiita mukadzi anokubarirai
vana kusanyara. Ndokuroverai utsinye
hwamuri kuitira mukadzi wenyu, kusatya
zvirwere kozoti kutambisa mari yamaifanira
kupa vana venyu munoreva kuti nhamo
dzekudzinza kwenyu dzapera?” Akapenga kani
pakatomboita noise yataive takutadza
kucontroller kusvika pandakazoti umwe
musecurity amubate anomuisa mumota.
Takatozoenda naye kumba tikasiya mbuya mai
two vakubatsira pareception. Takafamba naye
achichema hatina kumbomunyaradza taida
apedze shungu. Akazotaura tapinda mutown
hanzi “ndoona sekuti basa iri richandiremera
ini zuva nezuva miyedzo yacho haiperi.”

Ini: hakuna basa risina miyedzo mainini


chakakosha kuziva zvamunoda
musakanganisirwe upenyu nevanhu veutsinye
ava.

Nigel: zvawatoita muzukuru izvozvi wagona


vachaudzana-udzana kuti uya musikana haadi
zvisina basa. Vakangowana zvavanoda chete
unoona vakudzokera kumashure saka iwe
usafe wakanyengedzwa.

Mudhara wekuda kunetsa Paida


takamutyisidzira kuti taizomudeedzera
mapurisa haana kuzodzoka futi. Hazvina
kupera zvevarume vaidisa vakadzi asi aive
asisachemi Paida vaingopedzerana basa rake
richiendeka. Aitomboda kusiya basa mbuya
mai two vakati hakuna zvakadaro
ndokukumbira mazuva eoff vakarambazve
vachiti akangoita mazuva akagara pamba
anowarairwa. Chandakaona hangu
ndechekuti varume vakawanda vanoona
sezvinoshamisira kurara nevasikana
vakasiyana-siyana asi vanenge vachiisa
upenyu hwavo padambudziko. Varume
vandakaona ini ndiri palodge vachida Paida
vaitodarika hundred ko vamwe vaiuya ndiri
kubasa. Dai akabvuma vese ivavo handiti
zvirwere zvega-zvega zvavaitora vachinopa
mhuri dzavo?
Purity akamboda kubatikana nezvaiitika izvi
asi ndakamuudza kuti mainini vaive vatokura
vaifanira kutosimba vakwanise kuzvimiririra.
Iye Purity aive akutanga kubudikira dumbu
zvinova zvaindipa mufaro chero kushanda
ndakawedzera nekuti mwana wangu aifanira
kuwana ndakamugadzirira zvakakwana
sezvandakaitirwawo nevabereki vangu. Pane
mazuva aaimborwara semunhu aive
akazvitakura zvaingochinja-chinja apo neapo
aibva achema kuti dai paive nemukana
amboona amai vake. Zvaindibata asi paive
pasina zvekuita taingotevedzera mashoko aive
ataurwa nevakuru. Mazuva aitofamba
zvakadaro zvekuti takanobata July
takawarairwa. Muna July ndakaita rwendo
rwekuenda kuSA paive pakuda kutanga
kugadzirirwa mainputs akawanda sezvo vanhu
vakawanda vaivimbisa kuzotenga mafertilizer
muna August vave kugadzirira new season
yekurima. Ndaitove nelist yemacompany
mahombe aive akatoisa order kozoti
maindividuals vemafarm vaidawo kuzotenga
direct kwandiri. Ndaive ndatove company
hombe chaiyo nekuti ndaiti anoda kutenga
direct kwandiri anenge achitangira patwo
hundred bags zvichikwira. Iplan yandakapiwa
namadam Purity iyi achiti zvaizobatsira kuti
ndisashandire loss nekuti pane vamwe
vaigona kufona ndiri kumba vachida two bags
chete. Mari yefuel yaitowanda kudarika profit
yandaiwana patwo bags idzodzo.
KuSA takangonanga kuCapetown straight
taive tatofona tikaudzwa kuti zvataida
zvaiveko. Vana mama vaive kwasekuru Farai
kwavakadzokera nambuya mai Farai kunoona
mwana. Takanzwa takufonerwa namama
vachida kutaura nasekuru Nigel
tikatoshamisika kuti vaive vasati vadzokera
sei. Vaive vambotitumira message vachiti
paweekend vaizodzokera kuZimbabwe.
Weekend iyoyo ndiyo yakaenda Purity
kwambuya mai two akanorarako ndokumuka
achidzokera kumba musi weSunday. Sunday
masikati ndipo pakafona mama vakangotaura
nasekuru Nigel vaingoshamisika ini ndakatoita
zvekutaurira paside ndichivamhoresa
vakangoseka havo. Vabva pafoni sekuru vakati
“unoona panext door pepamba pana mai two
paya mai vepo varikunzi vashayika.”
Ndaipazivaka ndipo chete paive panext door
sezvo kuside rekuenda nenzira yekumashops
kwaive nezisango. Amai vacho ndaisavaziva
zvangu kuda pamwe ndaingovaonawo
mukufamba.

Nigel: aunt varikuti havazive kuti vafa nei asi


vawanikwa kuseni mumba vakafa.

Ini: ndiani avawana iyeye ndiyo suspect?


Nigel: hanzi mwana ange achichema akagara
kuroad akati gogo havasikuda kundipa
porridge yangu. Hazvinyatsonzwisisika rega
ndigofonera mai two ndinzwe kuti zvakamira
sei. (Vachibaya foni yavo) mwana wamai ivavo
akambopinza mbuya vako busy, kunze uku
kune mabhinya anotobata chibharo chaiko.
Ndakawana akavadzivirira murwizi
achitukirira hanzi ndiko kunyenga kkk.

Vakafona asi mbuya vaiti hapana information


yakakwana yavaive nayo. Mama ndakazotaura
navo nguva dzatodarika pana two masikati
vachiti vaive munzira kuenda kuairport kuti
vadzokere kumba. Isu takavavimbisa kuti
taizotevera mushure memazuva maviri nekuti
taive takutopedza kutenga. Zvinhu zvedu
zvaive zvakawandisa zvaitoda matruck matatu
so company yatakawana yaizotakura yaiti
muzuva raitevera ndipo paidzoka rimwe truck
kubva kuZambia okwana three neamwe two
atakawana akaparker vachiti aive ashaya basa
week iroro. Kusvika kwamama kumba
ndakaziviswa naPurity achiti vaive vafamba
zvakanaka. Kuseni kweMonday ndipo
pavakataura neni hanzi “ndiri kugadzirira
kuenda kumusha baba vako vati ndiende
ndinomira panzvimbo yavo kunhamo.” Mbuya
mai two vaida kuendawo ndakanzwa
vachitaura nasekuru vachinzi vakurumidze
kudzoka kuitira kubasa nekulodge. Mama
vakatumira message kuda vakatya kutaura
pacall hanzi “ndange ndichiti ndiende
naMasiziba kunobata maoko. Vanhu
vekuMberengwa ndidzo hama dzedu ndosaka
uchiona vachiuya kana kwaita mitambo kuno
kuHarare. Ndiko zvakare kwakasimbira dad
vako pabasa ravo saka apa ndiri kutoenda
ndichinobatsira kana paine zvimwe zvinodiwa
sezvo kuchinzi body yakatakurwa kuenda
kunoongororwa kuti vakafa nei.”
Ndakashamisika zvakanzwikwa nasekuru
ndichibva ndavatambidza foni kuti vaone
mashura. Purity aienda kuchikoro uye aive
nenhumbu ndepapi pavaitarisira kuti aende
kurufu rwemunhu wataisaziva? Dai zvakaitika
ari kumusha yes aienda kwete kutobva
kuHarare kufambira zvakadaro. Ivo mama dai
pasina kuti vakatumwa nadad hapana
pavaizoenda vaizozvionawo rimwe zuva
vaenda kumusha vongodarika vachibata
maoko. Chero sekuru Nigel vakaseka vachitoti
vaive vabvumidza mbuya kuenda nekuti
mama vaiendawo chete. Chimwezve aive
neighbour wavo pakukura kwese kwavakaita
saka zvaizoratidza chiremerera nerudo.
Zvimwewo zvamama zvaive zviya zvekuda
kuonekwa kuti vave nemuroora ndaivaona
hangu vaimboita zvimwe zviri extreme.
Sekuru vakazviona kuti handina kufara nazvo
vakati “vaudze kuti dai iri weekend maienda
manje osiya chikoro here achienda kurufu apa
next year anofanira kuenda kuattatchment
maresults ake anofanira kuimpresser ndiko
kuti awane basa.” Ndizvo zvandakangozovaita
hangu vakanzwisisa, ndichibvunza Purity aive
atobvuma kuenda. Zvakaoma hazvo ava vaviri
vaizondinetsa chete chero sekuru Nigel
vakandiseka vachiti pakatanga mbuya mai two
nambuya mai Farai kuwirirana vakatomboita
muranda.
Takaita three days dzakazara tichipedzisa
kusanganisa zvinhu zvedu tikazosimuka
Thursday kuseni takudzokera kumba.
Mafambiro aingova mamwe chete kuendeswa
kuairport nadad Tineyi tikanogashirwa
nambuya mai two vaive vatodzoka kumusha.
Hatina kukwanisa kuwana mukana wekutaura
zvekurufu sekuru Nigel vakabva paairport
vachitaura nadad vavo pafoni. Patakasvika
kumba kwedu vakatombosara mumota
vachipedzisa nyaya dzavo ini nambuya
tikapinda mumba maive muna mama. Purity
aisavepo aive aenda kuchikoro
ndakangomuisira message pandakaburuka
kuairport aive asati atombopindura. Sekuru
vakazouya ndatopedza kukwazisana namama
vakasvika vachimbundirana nekubvunzana
mufaro. Sekuru vaive vakura manje vaitoziva
zvinoitwa kana kwaitika rufu hanzi “nenhamo
aunt dzamaive mafambira?”

Mama: dzamai Vivian dzakarwadza


mwanangu asi zvinonzi mabasa ako ndiwo
anokutevera.

Mai two: zvakaoma hazvo kana dziri chokwadi


zvinotyisa.

Mama: runyerekupe ruri kuti muroora ndiye


akauraya. Dzimwe nyaya dzinenge dzichibva
panesu vabereki tinoti muroora auya
mumusha toti ngaagare achirohwa
nemwanakomana wako iwe uchifara. Zvinonzi
muroora aigara achirohwa paya mai
nemwanasikana wavo vachiti haudiwe hauna
kudzidza.

Mai two: anga akadzidzei Vivian chipurisa


chaakaita luck rekuti sekuru vake vaizivana
nevakuru?

Mama: ndiko kudada kwacho asika vaisafanira


kukurudzira vana kuti varwe ivo varipo
vasingadzoreredzi. Zvino mwana akazomiswa
basa mukadzi ndiye ange akuchengeta mhuri
nekutengesa hembe kwaanoita. Uya mwana
wavo musikana ave nevana vatatu pamwe dai
umwe asina kufa aidei ane four izvezvi. Mai
Vivian vakangosimuka nevana vaviri
vemusikana ndokuendesa kumuroora kuti
achengete. Uyu musikana kwaaive aroorwa
nemurume waakatsvakirwa wechikuru hanzi
akabva arohwa nevaroora aive akurara
nevana vakomana vababa vaye.

Nigel: Thelma haarambirwe zvake ko ivo


vaimupa baba vavo vaive vashaya vanhu here
muraini?

Ini: but hazvinzwisisiki mama ko vanhu vari


kuti muroora ndiye auraya mai avo sei?
Mama: vakanzi vakafa nepoison yavakadya
muchikafu. Pavakabva kuGweru vakasvika
kumba vakuchema-chema nemudumbu
vakatombomira pamba pana mai two
vachikumbira kuti vagochera mvura
yekushandisa vaitonzwa kuti havangakwanise
kukwidza makata kurwizi. Poison yacho inonzi
yaivadya zvishoma nezvishoma kusvika
vangozofa husiku vakarara. Vaitobuda ropa
mumuromo nemumhino uye dumbu ravo
rakawanikwa rasviba.

Mai two: hama dzemukadzi waVivian dzaiti


nyaya ichanoperera kucourt nekuti
vakapumha mwana wavo uroyi. Iye Vivian
aitoda kuenda nemukadzi achisiya mai vasina
kuvigwa.

Mama: akutopenga uya wakaona machemero


aakaita achiti kunana sekuru vake hapachina
ukama pakati pavo?

Mai two: vanhu vakaseka paya akuita


seanopenga uya. Baba vacho vemukadzi vaiti
ndiye akatevera pavakatora mwana wavo
vakange varamba kuti vadzokerane nhasi
zvakunzi mwana wavo ndiye auraya mai
Vivian. Vamwewo vaiti mai Vivian vaive
nevavengi vakawandisa nekuda kwechipfambi
chavaiita muraini saka hapana kujeka kuti
zvakabvepi chaizvo.
Nigel: ko Thelma aiveko here?

Mai two: aiveko kana kumbobatikana nekufa


kwamai vake pamwe aive achiri mushock
hake.

Mama: kwakaitika drama uku kani vabereki


vemuroora ndivo vakabatsira kutenga box
saka pakadzingwa mwana wavo vakati bvisai
chitunha chenyu.

Nigel: chikabviswa here?

Mama: chakabviswa asi ndakazotaura navo


ndikabhadhara mari yebox yacho
vakaigamuchira.

Ini: ivo vaiita hondo nemuroora vasina funeral


policy asi havazive kuti kuhondo
kunotarisirwa rufu kana wakurirwa?

Mama: dai waiveko mwanangu wainzwa tsitsi


hapana pawaimboseka zvauri kuita izvi.

Zvese zvaitaurwa izvo zvaisamaker sense


kwandiri ndakangoona sekuti nguva yavo
yaive yakwana. Vana sekuru vakazoenda
tikavimbisana kuti taizoonana kana mota
dzakauya dzakatakura zvinhu zvedu dzasvika.
Mama vakasara vachibuda vaiti vaida
kunogadzirwa musoro vaitozodzoka manheru.
Taive tavanonotsa nekusvika kwatakaita
hairdresser wavo aive akunetsa achifona
achiti zvavaida kurukwa zvacho zvainonoka
kupera.

Ndakasara ndichienda kuroom kwangu, haa


Purity airongedza mumba kani zvekuti
waimbotya kurara pabed. Hembe
muwardrobe dzaiita sekuti dzarongedzerwa
kuenda kucompetition. Ndakatombobvundisa
maoko kutya kubvanyangura kuti nditore
dzekuzopfeka ndageza. Aisacomplainer zvake
kana awana zvisisiri muorder asi ndainyara ini
pamwe aitokuvarira mumoyo achiona
sendaimuitira hutsinye.
Ndakageza ndikadzoka ndichipfeka boxer
short ndikambotarisa foni ndikaona kuti
Purity aive asati averenga message yangu.
Zvaireva kuti aive achiri muclass so
ndakamurega zvangu ndikarara kubatwa
hope. Ndaive ndakambundira ziteddy
randakamuvigira kubva kuSA patakamboenda
paye tichinoona mwana wambuya mai Natie.
Ndakamutswa nevoice rakataurira munzeve
hanzi “welcome back dad” ndichibva
ndakiswa padama. Akaseka nekuvhunduka
kwandakaita ndikamuka ndichimudhonza kuti
awire mumaoko. Ini ndaitoti ndikarara
ndozomuka masikati ndakuenda kunomutora
kuchikoro. Akarasira zidhori kure zvikanzi
“varidzi venzvimbo vauya”
ndokunyatsozembera pachipfuva pangu.

Ini: how are you babie?

Purityachiyemerera akaisa musoro paside)


I’m not fine handiti wange usisade kudzoka
but wakaenda uchiti unonoita three days
chete.

Ini: (ndisingadi nharo naye) I’m sorry my love


but ndauya manje.

Purity: wandivigirei.

Ini: unotarisa mubag umo.

Purity: ndoda iwe.

Ini: (ndakaseka) ini ndiripo sezvaunongoona


kudai.

Ndakabatwa matama ndikakiswa


zvekungosanganisa miromo achibva ati aida
kumbonogeza. Handina kutevera zvangu
ndaiziva kuti taitozodokerwa nezuva tiri
kubathroom. Akakurumidza kudzoka asina
kupfeka kana paint akasvika achigara
pamakumbo angu andaive ndakatavara
achibva abatira pabed akarerekera
kumashure. Magariro aaive akaita akavhura
makumbo waitoona nyama tsvuku dzemukati
mekuzasi kwake. Ndakaedza kuti ziso risasvika
kwese ikoko asi mongoziva kuti pabody
yemunhu chinhu chiri stubbon iziso.
Ndakatarisa katwo kese ndikamedzera mate
achibva aseka achisebera kuzogarira
paitangira boxer short rangu sezvo riri iro rega
randaive ndakapfeka. Maoko ake
akanopuruzira padumbu pangu achisvika
kunyatso ndikanzwa mushort muchisimuka
zvine simba. Ndakangozoona ndabata
magadziko ake ndichitomusebedza kuti anzwe
kuti zvaive zvatoipa. Akatanga kutambisa
chiuno achiti kana zviweti zvoda kusangana
ainzvengesa uku aive andibata nesimba
musoro achikisa zvenzara chaizvo.
Ndakamboedza kumusimudzira kuti ndidzikise
short tikwanise kusangana panyama but
akaratidza kuti hazvisi izvo zvaive mupfungwa
dzake. Zvaaiita ipapoka ndakanyora mbuya
mai two kuti ndivo chete vaive vamudzidzisa.
Aiti akakisser-kisser ombondideedza kuti
“dad” nevoice rekuyema. Chakanakira kuwana
mukadzi ari mhandara ndechekuti chero
akaita zvakadii hamumbonzwi kusvotwa
uchifunga kuti pamwe akadzidziswa nevamwe
varume. Zvaiitwa naPurity izvi zvairatidza kuti
aikura uye aiteerera nekugamuchira
zvandaidawo kuti tiite murudo rwedu.
Akazotaurira munzeve dzangu hanzi “dad I’m
ready please give it to me.”
Ndakambopuruzira dumbu nemazamu
achibva asekerera achiri ndaimunyerekedza.
Ndakasimukira ndichiti ndimugarire achibva
aramba akati ndimire pasi iye ari paedge
pebed. Akanyatsovhura makumbo akadhonza
pillow ndokutsigira kumashure kwake.
Ndakamboshaya kuti aida kudii chaizvo
akatozviona kuti ndaishamisika ndipo paakati
“ndoda kuona.” Zvakandipa kuseka kana
kumbonyara zvake akatonyatsovhura
makumbo ndichiona kuzasi kwaive kwatota.
Ndakasebera ndichiti ndimupe zvaaida zvacho
ndikabatwa munhu akuzvinakidza
achitenderedza mudziyo wangu pamusiwo
wake. Zvainakidza pakuti musoro wangu
waibva wanyerekedza uchitumira kunakirwa
kwese kune dzimwe nhengo dzemuviri.
Pakadaro ukasazvidzora kamweya
kekumuvakidzani kanobuda chete.
Paaitenderedza mudziyo pamusiwo wake
aitenderedzawo chiuno zvakaita kuti atange
kubudisa tumasound twekunakirwa.
Pamusiwo pakamupedzera akagwinha kuita
seaive abatwa nechando muviri kushaker kani
ndikanzwa akufemereka uku kuzasi
kuchitsvedzerera. Akabva aregedza mudziyo
wangu akawedzera kuvhura makumbo
nekubatira pabed zvakare ndipo pandakatora
basa kuriisa mumaoko angu. Aiti akatarisa
mudemba achizorera mate pamalips ake
aipota achioma ombodzora musoro kuzoona
ndichipinda nekubuda. Ndaingonzi “dad-dad-
dad” achigomera nekushinyira senyoka izvo
zvakazondipa manyawi ndikamudanyangira
zvechisimba mumba mukaita mhere
yatakazoyeuka tapedza tikamhanyidzana
kudongorera pawindow kuti mama vaive
vasati vadzoka here. Takaseka taona mota
yavo isipo zvikanzi “welcome once again dad
how was your journey?” Akauya
akandimbundira ndokuzembera pachipfuva
pangu ndikamupuruzira mumusoro make
ndichimuuudza kuti ndaive ndamusuwa.
Takaenda kunogeza akadzoka achidarikira
kunobika achiimbirira nemufaro.
Mama vakadzoka kwasviba kumapast seven
zvavo vachiti dad vaizodzoka muzuva
raitevera. Vakauya nepfungwa yakanaka
yataive tisina kumbofunga ini naPurity. Vaiti
taigona kunoona gyna wedu tizive kuti mwana
aive akagara zvakanaka here uye taifanira
kuziva gender kuitira zvive nyore pakutenga
preparation. Takaifarira pfungwa yavo tese
akatotenda Purity hanzi “maita basa mama
toenda teseka?” Aive atanga zvake zvekusada
kuparadzana namama vake manje
ndakavadimbudzira vasati vapindura
vakaseka. Paive pasisina nguva July aive
akupera kwaive kwangosara nine days kuti
tipinde muna August. August ndiwo
wataifunga kuti kana zvikafamba zvakanaka
toendesa mbudzi akwanise kuwana mukana
wekupota achinoona mama vake. Handina
kumbozotambisa nguva patakaenda kunorara
ndakatumira e-mail kuna gyna wedu ndichida
kuti atitsvakire zuva repedyo rataizokwanisa
kunomuona. Ndaiziva hangu kuti aizopindura
during working hours apa ndaiitira kuti
paaizosvika kuoffice kuseni akurumidze
kuiona. Takamboitisana nharo naPurity ini
ndichiti mwana aive mukomana iye achiti aive
musikana. Dzaive fungidziro hamheno kuti
aizokundwa ndiani takatozosvika pakuisa
mari. Iye aishingirira kuti musikana ari ega but
ini, dad namama kubva zvatakaziva kuti aive
nenhumbu taiti aizozvara mukomana.

Mazuva akafamba tamirira zuva redu


ratakapiwa nagyna wedu rakatobudira pana
thirty-one July. Patakataura naye tichida date
akatiudza kuti aive nerwendo saka taizomirira
kudzoka kwake. Akadzoka musi wathirty
akandifonera tikamuka tichinomuona asi
hapana maresults atakawana ataida.
Akatiudza hake kuti mwana aive akagara
zvakanaka uye aikura zvichienderana
nemwedzi yake hapana problem yavakaona.
Pakunotarisa gender ainzi aive akavhara
makumbo saka takanzi tidzoke after three
days. Takadzokera tatove muna August
achangotanga tikanowana same result. Dad
vakati tiende kuSA pataidzoka taizosvika
tichienda kwaMadondo nembudzi
dzenhumbu. Ndiwo mukana watakawana
wekuti` Purity anoona mbuya mai Natie.
Sekuru Farai ndakavaudza zvatakaitirwa
nekamuzukuru kavo vakati “tomboona
pamwe pamunouya kuno anenge achinja
position but turi rude tuvanhu itwotwu kana
kasingadi kuonekwa hapana zvamunokaita.”
Vaiseka zvavo vachiti pane umwe
akambozviita zvekuvhara makumbo izvozvi
mai vacho vakatukirira kuti mamachine aive
akafa. Hanzi akazoenda kufour different
places achiitwa scan zvikaramba kusvika
amirira zuva rekupona.
End of chapter 33

Love you guys


CHAPTER 34

*Purity*

Nhumbu yangu yaisanzwisisika zvayaida


chaizvo sei yaingochinja-chinja nhai?
Pakatanga kubudikira dumbu mamovements
akatangawo ndaiita sendaibaiwa nechitanda
zvekuti pazvaiitika ndakarara ndaitopepuka.
Ndiri kuchikoro manje ndipo pandainetseka
nekuti ndaipedzisira ndagara ndakaita
kakukotamira mberi zvaizosiya ndakunzwa
mabayo. Gumbo rekwaright ndaive ndakutoti
ndikanzwa risingarwadzi ndotenda mwari
nekuti nguva zhinji ndaiita rekukweva richiita
seraibatwa nechiveve. Pain yese iyi yaindipa
kufunga mai vangu kuti pamwe ndizvo
zvavainzwa panguva yaive vakanditakurawo.
Yaive yafamba mwedzi ndisina kumboona
chiso chavo dai vaive kure zvaive nani zvino
muHarare makare mataive umu
ndairwadziwa. Pandaivafonera chero
tichitaura nyaya dzekuseka maziso angu aizara
misodzi ndaiona sendaive ndavarasa. Ivo havo
vaifona vachibvunza kuti ndaive sei hapana
pandaivaudza zvekuvasuwa kwandaive ndaita
ndaiziva kuti vaizochemawo. Ndaive ndisisadi
kuvaona vachichema nekuda kwedu nekuti
pakawanda pavaitaura kuti kana Paida
aizoramba akadzikama sezvavaiona vaizogara
upenyu hwavo hwese vachifara. Ndakaona
sekuti kurwara-rwara kwandakaita
kwaikonzerwa nebasa rekuchikoro. Ndiyo
nguva yataimhanyidzana nekutsvaka nzvimbo
dzeattatchment ukuwo maexams futi
zvaitemesa musoro. Ndaida kutsvaka nzvimbo
kufirm kwamama vangu but vanhu
vakawanda kusanganisira Innoe vakandipa
advice yekuti nditore offer yamama palast
minute kana kumwe kwese zvaramba.
University yaida feed back kuitira kugara
vaziva kuti vaizofamba kupi nekupi
vachiongorora mashandiro sezvo mamarks
iwayo aizoshanda pafinal. Pamazuva iwaya
ndakatanga kunzwisisa kuti chii chinonzi
kuzvimba makumbo munhu aine nhumbu.
Ndaiti ndikadzoka husiku ndikagara pasi
pakuda kusimuka ndambozorora makumbo
airamba kusimuka. Kuzasi kwangu kwaiita
sekwavhurika sekwaida kubuda chinhu
zvichirwadza zvekuti dzimwe nguva
ndaipedzisira ndakuchema. Mama Mapanzure
vakamboita mazuva vachitadza kudya dai
yakabva nhumbu iyi vaifa chaiko.
Zvakangozoita nani pakapera pressure
yekuchikoro ndakuswera pamba ndichimirira
kupindurwa kwandaive ndakanda maCV angu.
Kuenda kuchikoro uchibhadharirwa fees
nekutengerwa stationery yakakwana kunoita
tiwarairwe tichiona sekuti upenyu
hunozoramba huri muchechetere.
Ndakatanga kunzwisisa kuti sei Innoe akanditi
ndimbotanga ndatsvaka nzvimbo
yeattatchment kwakasiyana-siyana kana
zvazorambisisa ndozotsvaka rubetsero kuna
mama. Kunze kwakaoma uko vanhu vane
mabasa avo vanodada kani nekuti vanenge
vakasakura nzira dzavo nedikita ravo.
Ukaitirwa zvese pachena hauzonzwisisi
kutambura kuri kuita vanhu munyika. Innoe
aimbonditsanangurira mararamiro aaiita
kuAmerica achiti zvaingoda phone call imwe
chete kutaura kuna dad namama kuti anoda
mari asi dzimwe nguva aitenderera
kuzvitsvakira mari ega achiitira kuti adzidze
upenyu. Aive nehushingi hwandaida uye
aindisimbisa nemashoko zvakanyanya izvo
zvaindipa manyawi pese pandaiteerera rairo
yake. Zvakazoita ndakuda kucanceller rwendo
rwekuenda kuSouth-Africa rwataive taronga.
Pamacompany andakaisa maCV angu vazhinji
vaipindura kuti kwaive kwakazara vaive vatora
mamwe mastudents akatsvakirwa nzvimbo
nemauniversity awo. Vamwewo ndivo vaiti
vaive neparnership nemastudents aiendeswa
kuchikoro nemacompany saka mastudents
iwayo automatically aizoita maattatchment
kwavari. Pavaizopedza chikoro vaipiwa basa
futi vachibhadhara back mari dzavo for five
years vozotanga kubvumirwa kutsvaka basa
kumwe. Kwandakatowana kwacho
ndaitofunga kuti pamwe havana kubvira
vatomboona CV yangu nekuti it was one of
mabiggest firms in Zimbabwe. Mama
Madondo vakatombondiseka vachiti ndaive
ndatambisa nguva yangu hapana
pandaizotorwa ikoko. Ndakafara sendaive
ndawana basa reupenyu hwese imagine kuti
ndaizonge ndichikweshana mapendekete
nana advocate Mpofu. Baba vakashamisikawo
nazvo vakandikorokotedza vachiti
vaisafungirawo kuti ndaizopinda pamamonya
zvakaimbwa nevamwe vataingonzwawo
mumazuva andaifamba nekombi. Hanzi
naInnoe “rwendo rwekuenda kuSA rwave
paviri babie tichange tichipemberera
nekufambira scan zvakare.” Nyaya yescan iyi
ndaive ndamboibvisa mumusoro mangu
zvaitaurwa zvacho zvaisamaker sense
zvachose. Takaenda kavirika kuchinzi mwana
airamba kuvhura makumbo kuti vaone
gender. Mazipicture avaitipa akangosviba-
sviba hapana kana chaionekera. Vaibva
vataura nelanguage dzavo dzekuchipatara
vachinyora mazivara akareba aiita
seachazadza mutsara. Hamheno kana Innoe
aizvinzwisisa ini ndaingoenda nedumbu raive
rakagara mwana wacho zvimwe zvese
ndaisateerera. Ndizvo zvainetsa kuscience
izvozvi ndiri kuchikoro chero teacher vangu
vakashamisika pandakaita B vaitarisira kuti
pamwe ndaizobuda neC.
Zvandaive ndawana nzvimbo yeattatchment
kudai ndaifanira kunoita shopping kuSouth-
Africa. Ndaizotanga basa ndapona saka
ndaitofanira kupfeka chaiko ko iri basa
randaive ndada nderimwe remabasa
anosungirwa kuve well dressed, well
organised and well representable.
Pakurongedza kwandaiita mabag
ndakabvunzwa naInnoe kuti ndaida kuzotenga
chii nechii zvangu zvakanangana neni kwete
zvemwana. Aiitira kundipa mari achiti pamwe
ndaizoenda kunotenga nambuya mai Natie.
Semunhu webusiness hapana paaizoenda
kuSouth-Africa odzoka asina kutsvaka
zvekushandisa kubasa kwake. Ndakambomira
zvandaiita ndikagara pabed ndokuti “doctor
vakati according nemazuva andakapedzisira
kuteera zvinoreva kuti mid December or late
December ndinenge ndichipona. Kutanga
kwaJanuary ndinenge ndakuenda kubasa saka
handimbozowani nguva yekunoita shopping.
Ndange ndichifunga kuti ndigare ndatenga
hembe dzekuendesa kubasa but pamasize apa
handizivi kuti zvandinenge ndichiyamwisa
body haichinje here?”
Innoe: babie ndange ndichifunga kuti
paunopona mwana orega kuyamwa hona
wamainini Paida angori bhoo wani?

Ndakashamisika ndichimutarisa ndikadzora


mashoko angu ndokusimuka ndoenderera
mberi nekurongedza. Mari akandipa
yakawanda yekutenga hembe neshangu
ndikaisa muhand bag mangu. Aive asina
kuomera zvake Innoe mari yatakawana
pamuchato hatina kumboishandisa
takangoisa muaccount akati kana paine
zvandaida ndaitora ndichitenga. Ini ndini
ndaitorega kuishandisa ndichiona kuti mari
yechikafu nekubhadhara mabills epamba
zvaingoitwa namama zvese vachiti zvizhinji
zvaibva kubasa kwababa. Ndaisave mukadzi
anoba ini ndakarairirwa nambuya mai Munya
kuti vakadzi vakawanda vanozvikanganisira
dzimba nekuruoko rwakareba. Umwe akaona
mari muhomwe dzemurume achiwacha
anotora onyarara ko kungodzosera uvimbike
kana munhu asina basa nayo anongokuti
shandisaka mukuwirirana. Ini ndaitosekwa
naInnoe pamari apa handidi kunyepa
ndaiwana yakawanda ndichiwacha ndonoisa
pachena mubedroom medu kana auya
ndaimuratidza ozvirambira ega.
Nyaya yekuyamwisa mwana yaive yadarika
akazotanga kutaura yemasungiro achiti baba
nasekuru baba Farai ndivo vaizosara
vachitsvaka zvaidiwa zvekuenda nazvo.
Taifanira kudzoka zvese zvave muorder
tongosvika tichienda. Handina kupikisa futi
nekuti paida kuunganidzwa vanhu saka
vaifanira kuziviswa paine nguva. Akandirova
magadziko akati “ndokuziva hangu kuti
paunonoona mama uchachema. Dai mwana
wangu akasafanana newe angakura akapusa.”

Ini: ndakapusa here ini haudi kuona munhu


akadzikama nhai?

Innoe: pakudzikama apo handirambi hangu


asi ndichikufananidza namainini Paida
ndofunga wainzwa nekudheererwa.

Ini: takakura tichiwirirana isu naPaida kungoti


aimboita nguva dzaairwa kuchikoro zvinova
zvandisina kubvira ndaita zvangu ndaityira
muviri wangu zvakanyanya kuti usarwadziwa.

Innoe: (akaseka) pafight handiite zvekuudzwa


takavaona kulodge kwasekuru uko
vachigadzirisa nyika.

Ini: but zvakaipa zvamakaita dai akasungwake


muchikurudzira zvakaipa kudaro?

Innoe: ko isu tadii zvedu taive takazvigarira


tichiona drama remahara?
Ini: mbuya mai two havatauri zvavo asi
zvaakaita Paida zviri wrong.

Innoe: mainini ndomira navo zvangu chero dai


vakasungwa tainovabhadharira fine.

Ini: hoo.

Akasara achienderera mberi nekurumbidza


zvaiitika kulodge ini ndanyarara zvangu.
Chaindibhowa zvangu ndechekuti ndiko
kwaaive akupedza nguva ari dzimwe nguva
aitononoka kuuya kumba oisa message kuti
ndiko kwaaitandarira. Nyaya dzacho manje
dzaiitikako veduwe pamwe pacho
ndaizvibvunza kuti vaive vachiri kungoona
here chete kana kuti vaiitawo. Pandakaona
kuti ndaive ndanyanyisa kunyarara ndaisada
kuti afungire kuti nyaya dzaaitaura
dzaindibhowa so ndakaita kakumuvharira
ndichitenderedza maziso.

Ini: December wese ndinenge ndave kumba


kuna mama Madondo. Vachanzwa zvavo
nekuyemerwa neni apa nhumbu inenge
yakura futi.

Innoe: December wese uchigarako here kana


kuti unoenda everyday uchidzoka?
Ini: handiti kana munhu akasungirwa
anozouya kuzotorwa kana mazuva ake akuda
kusvika kuti aponere kumba kwavo.

Innoe: unoona zvichiita here izvozvo?

Ini: haasi maonero angu asi ndiwo mutemo


vamwe vanotoenda paseven months
vozodzoka mwana atove chero nemwedzi
miviri azvarwa. Ini hangu handizoendi
neseven months nekuda kwekuti ndinenge
ndichienda kuchikoro. Ndozokurumidza
kudzoka futi nekuti January ndinenge
ndakuenda kubasa.

Innoe: izvo hazviite manje handiti mbudzi


tinenge taendesa dzekuzivisa kuti wave
nenhumbu? Ko mainini Paida vakanoponera
kuVic-falls wani, is it a must kuti ndizvo
zvinoitwa hazvitombofanire kuregedzwa?

Ini: (ndichiona rima neshungu) wait-wait-wait


pane patichataura nyaya pasina kunzi Paida
this Paida that here?

Innoe: ndange ndichin…

Ini: save it, bvaa enda unoronga naPaida


ugouya wondiudza ndotevedzera zvacho
zvamunoda.
Innoe: babie!!

Ndakavhara monarch ndikaribvisa pabed


ndokutora foni yangu ndikabuda kunogara
panze paive namama. Vakandibvunza ndisati
ndasvika pavaive kuti ndaive ndapedza
kurongedza here ndikagutsurira musoro.
Innoe akatangirira kufona kutonetsa chaiko
sezvinonzi aive aenda kutown. Haiwawo
ndaive ndamunyararira nguva refu
momboziva here kuti pane dzimwe nyaya
dzinokuita turn off zvachose murudo. Munhu
anofanira kutanga afunga kuti zvaanenge
achitaura akazviudzwa zvinomufadza here.
Paya aimbotaura zvekuti ndikangobuda
anotsvaka umwe achiita seanotamba but
chinotambaka makumbo ukazoona mashoko
asisabvi pamuromo unofunga zvakawanda.
Paida waaigara achingopraiser uyu taive
nehistory naye yakambotivhiringidza murudo
rwedu. Munhu haarevererwi ko kana
aizomuisira madrugs kulodge ikoko koitiika
zvimwe aizochenesa zita rake achiti chii.
Mama vakapedzisira vaseka vaona ndichiti
foni ikaringer ndodzima. Vaive vakutoda
kuenda kunogara mumba hanzi
“uchanditukisa naInnoe ndichinzi ndini
ndakurambidza kudaira foni.”

Ini: aaa mama kana ari kutoda kubuda uyu.


Akabva atobudawo akabata makey emota
haana kutaura nesu akanopinda mumota
akabuda gate. Yaive Sunday iyi ndakamboda
kubatikana paakabuda apa asi pachokwadi
ndaisave nemhosva ini ndaida kuti aone kuti
zvobhowa sei kuitirwa zvaaive asingadiwo.
Haana kana kufona kana kutumira mesaage
kuti aive anangepi. Mama ndakavanyepera
kuti aive aenda kunoona sekuru baba two.
Hana yakarova pakafona Paida ndikambotya
kudaira ndichiti pamwe aida kundiudza kuti
aive naInnoe. Ndakazvishingisa ndikadaira
maziso azara misodzi achibva andiudza
zvekurwara kwaiita mwana wake. Aitoti aive
asina kuenda kubasa kubva nezuro wacho
saka vaitoronga namama kuti muzuva raiteva
vaizoenda naye kuchipatara. Handina kunge
ndaziva kuti aive ambovimbisa Innoe kuti
pamwe aizobva kubasa Sunday yataive iyoyi
ozorarira kumba kwedu achiitira kuonekana
nesu tichienda kuSouth-Africa.
Ndakanyepedzera kuita sendaive ndaudzwa
ndikakanganwa but pachokwadi Innoe haana
kumbotaura nezvazvo. Akazopedzisira
nekutishuvira a safe journey zvikanzi “muuye
nemasweets ndiwo andinoda hangu
semuramu.”

Ini: (ndichida kumunzwa zvangu) masweets


unorairira bamukuru vako.

Paidaakaseka) mave nyama imwe imi


zvandaita izvi ndizvo chaizvo zvinotenderwa
ndofanira kuudza imi mosvitsa shoko.

Takamboita makuhwa ndichibvunza kana


mother vaisara nemwana wake vaive munhu
anonzwisisa. Ndaisada kuti vasangane netype
iya yaive yasiiswa basa namama yekuti waiti
uchida kuvarairira zvaunenge watumwa
nemurungu wavo waitanga wapinzwa
mucourt.
Rakadoka zuva asina kudzoka Innoe tikabika
nekudya apa hana yaive isisina kugadzikana
manje. Pakasvika baba ndakanzwa mama
vakuti “aa zvinozoda here kuti une rwendo
munhu wononoka kusvika kumba kudai?”
Hapana akavapindura ini ndakatosimuka
ndikaendesa maglass aive anwirwa drink
kukitchen kwaive naaunt vachisuka.
Taibatsirana basa umwe achisuka umwe
achicleaner mudining saka ndaive ndapedza
rangu basa pandakadzoka ndakaoneka
ndakuenda kunorara. Munamato taive taita
pakudya tichibatanidza newe kurara.
Ndakanosvika ndichipinda mumachira
nekufuka musoro hope dzichibata ipapo,
ndaive ndisina kumbowana mukana wekurara
masikati. Ndakamutswa nekutonhorwa
kumeso ndichiiswa towel nyoro naInnoe. Ziya
raiita kuyerera ndakatoshamisika kuti ndaive
ndaita sei. Akandibatsira kumuka kuti ndigare
akanotora mvura yekunwa akandipa
ndikakutura glass ndisina kumbozorora.
Akazogara paside pangu akati “chii babie
warwara here kufuka machira ese aya
kunopisa kudai?”
Ini: ndiri right.

Innoe: no babie hausi right ndiudze chii chiri


kuitika? Masikati ndange ndichikufonera kuti
titaure nyaya yemakuseni iya wange
uchindidzimira foni. Ndoziva kuti
ndakanganisa kutaura nyaya ndichipa
mufananidzo wamainini but ndange
ndichitaura mune zvakanaka usandifungira
zvinhu zvinotivhiringidzira rudo rwedu.

Ini: Paida aive ati achazorara kuno nha…

Innoe: ohh ndakakanganwa kutaura vazouya


here?

Ini: haana ati mwana ari kurwara kubva


nezuro saka akundikana.

Innoe: sorry babie ndakangowarairwawo plus


vakataura takutobuda kubva kulodge
nasekuru baba two saka ndakati pamwe
vaingotaurawo.

Ini: okay …

Innoe: but??
Ini: pachokwadi chaipo pano nyaya dzese
dzangove kutanga naPaida dzichipera
naPaida. Ndoziva kuti munin’ina wangu uye
hapana chandinofungira pazviri asi iwe
unofara here kana ndikati zvese zvatinotaura
ndopa mufananidzo pane kungotaura nyaya
straight. Waizviita futi mazuva aive asati
adzoka Paida kubva kuVic-falls uchiti
ndikangoti ndakuenda kwakati wototi handina
basa newe vakadzi vakawanda ndotsvaka
umwe.

Innoe: babie ndange ndichingotaurawo ini


sorry hako.

Ini: hapana chekuitira sorry handiti wange


uchingotaurawo kana kuti rega nditi wange
uchingotevedzerawo.

Innoe: pawataura ipopaye ndazviongorora


ndikaona kuti ndakanganisa ndosaka ndange
ndichikufonera kuti udzoke titaure nyaya
yacho ipere.

Ini: yatopera iyo ipo pandazvitaura ipapo uye


handisi kuti usaite zvaunenge waona iwe kuti
zvakanaka.

Innoe: matauriro ako Purity anoratidza kuti


wakatsamwa. Ini ndatobuda ndikaenda
kwasekuru baba Two ndichiitira kuti hasha
dzako dziderere.

Ini: handina kana hasha dzandiri kunzwa


ndangoti ndikubvunze kuti ukazviitirwa
unofara here? Zvinopedzisira zvoita sekuti
atoriko wacho wekubatira nzvimbo kunze uko.
Musi wawakauya uchitaura nyaya yekuti Paida
arova munhu ndakaedza kukupawo mafungiro
angu ukandivhara uchiti ndaive nejealous kuti
ndaisagona zvenoise.

Innoe: yaingove nyaya yekutamba iya.

Ini: kwete hakuna nyaya yekutamba yakadaro


zvakaitwa naPaida zviri unproffesional
maifanira kumutsiura mese nasekuru baba
two. Moreva kuti dai aive umwe receptionist
asina ukama nemi maiombera maoko here
kuti tave naNia Jax pabasa.

Akaseka akadzipwa nemate ndokumbotora


nguva achikosora nekunwa mvura kuedza
kuderedza kukosora kwaaiita.

Innoe: (achibata pahuro) sorry babie hazvirevi


kuti zvauri kutaura zviri fun ndiri kukunzwisisa
ipapo.

Ini: Pamwe imi ndimi makutokonzera kuti


arovane nevanhu achiona maziso enyu. Waiti
vanhu vanouya vachimuda vanodarika
hundred sei asina kuvarova zvavaiuya imi
musipo? Paakaona maziso enyu muchiita
semakushanda kumurinda akabva apa dhara
revanhu superman punch kuti imi mapurisa
ake mugutsikane kuti shuwa haasi kuita
misikanzwa. (Aiseka achipukuta maziso)
ndoziva hangu kuti uri kuona sendinotaura
zvekupenga ndosaka uchiseka kudaro.

Innoe: ndakateerera babie kungoti matauriro


ako ndiwo ari fun.

Ini: ngazvirambe zviri fun kana


zvisingazomukanganisiri basa rake kana
kuzonzwa zvimwe pamuri mapurisa ake.
Hauchatogari kubasa uchinorinda Paida ko
kana akazofunga kuti unomuda? Muregei
anetswe ozvirambira ega ndiko kuti tizive kuti
akadzidza pamamistakes ake. Iwe
wainditeverera wani kumasteps kwambuya
mai Natie why ndisina kuti handina kuvinga
kuzonyengwa ndakakusvetukirawo
ndikakuruma zvandinogonawo.

Apa akaseka kubudisa voice akambotenderera


nemba. Moziva paakabuda nemota ndaitoti
pamwe aizodzoka akanditsamwira asi zvimwe
zvacho ndaitobva ndanzwa kumuda chero
zvake aimbondibhowa pakutaura.
Innoe: (achigara pedyo neni nekupotesa
maoko kumusana kwangu) ndazvinzwa babie
zvawataura ndosaka ndichigara ndichikuudza
kuti kana ndakuitira zvausingadi undizivise
ndigadzirise. Isu taitoona setaigona tichityira
kuti vanhu vave nemweya yakaipa kunze uko
yekuti vakaona varambiwa vanoshandisa
simba vobata vana vevanhu chibharo.

Ini: hapana munhu ane pfungwa dzakakwana


angabatira chibharo pareception paya
panosvika vanhu vakawanda. Kumba
anoperekedzwa sezvinoitwa vamwe saka
anobatirwa papi chaizvo? Handisi kuti
usataure naye ayewa, ndinototenda zuva
nezuva nezvese zvawakamuitira
nezvaunomuitira muupenyu asi regai adzidze
kuzvichengetedza atokura uya.

Innoe: ndazvinzwa madam usazviise


mumusoro unozokanganisa utano hwemwana
wedu.

Kutaura kwakanaka veduwe unonzwa


kurerukirwa ndaitoita sendaive ndabviswa
dombo pamapendekete angu. Hatina
zvatakaita zvedu husiku uhu nekuti
akamboenda kunogeza paakadzoka ndaive
ndatorara. Kuseni takazoperekedzwa
nasekuru baba two kuairport. Mukutaura
kwavo ndakagutsikana kuti Innoe aive kumba
kwavo zvaakazodzoka husiku. Handina kuita
zvekubvunza asi nyaya chete dzavaidavirana
dzaingojekesa zvandaida. Ndaisave munhu
anochengera chero pandakataura nyaya
yaPaida kwaisave kunetsa asiwo pane pamwe
paunoona wega kuti ukanyarara wave
kutotadza basa rako semudzimai. Zvakafanana
nepakamboiswa complaint naInnoe achiti
mama vainyanya kumira pakati pangu naye.
Raisave godo kwete asi unenge wakuona kuti
zvanyanya zvimwe zvacho zvinotanga
mukuwirirana zvodzika-dzika kusvika vanhu
vave kuvengana.
Manyawi andakazoitirwa naInnoe
ndakatombopusa vanhu vanditarisa
patakakwira ndega. Kunditi ndinogara kwangu
ndega akarova serious moziva ndakashaya
pekunyura nenyadzi. Akazoseka aona kuti
vanhu vaive vakutoda kutora mavideo achibva
andimbundira akati “handiti paya
wakamboramba kugara neni here?”
Kumonerana kwatakaita achindikisser
kwakaita kuti vanhu vasare vavhiringika saka
hapana vakazombozvitora serious. Takafamba
tichitaura nyaya nekuseka
ndikatomborwadziwa kuti paya pekutanga
ndaive ndatambisa mukana ndichingonyara
zvinhu zvandaiziva kuti zvaitofanira kuitika.
Dai zvichizivikanwa kuti murume
unozomujaira kana mangorara mese pamwe
vakadzi vaisununguka murudo nekuti iyo iya
nguva yamunenge muchangoroorana ndiyo
yakakosha unenge uchipiwa attention yese.
Honai zvaive zvakutoda kutanga zvekuti
munhu anotendera kukusiya paweekend
achinogara mulodge sekuti aive akushanda
kusecurity company. Ndiwo aitove matangiro
azvo vakazvitaura mbuya mai Munya kuti
ndaifanira kuzogamuchira zvimwe
zvaizochinja mukafamba kwenguva. Hanzi
varume vanogona kutokuisa pamutsanyo
wepakati pamakumbo vachipa excuse
yekuneta kubasa. Paunenge wakuchema-
chema kuti sei pave nechange mumba anenge
akuti unoidisa sepfambi. Hamhenowo ndizvo
zvacho zvainzi wanano hausi mutserendende
ndaingozoitawo ndichitaura pane zvinotaurika
zvimwewo ndaingozoita sendaive bofu kuitira
kuti kunetsana kuite kushoma. Kutaura
kwacho kwaive nepaviri umwe unomuudza
agonzwa umwewo unobva watomudzinga
nekuda kwemashoko saka ndaifanira kuita
ndakangwarira.
Takanosvika zvakanaka tikagamuchirwa
nasekuru baba Natie vakatiendesa kumba.
Ndaive ndaona kwaigara sekuru baba two
ndikaonawo kuBulawayo kwasekuru baba
Farai asi ndakazonoona chaiko kwatakaenda
uku. Imba yana mbuya mai Natie
yakandivhundutsa ndikatadza kana kuvhara
muromo nekushamisika. Zvakatangirira
tasvika muarea mavo aimi dzimba dzacho
waisaona kuti dzaibva kupi dzichienda kupi.
Kwaive kwakasosewa nemadurawall
waizongoona mudenga kuti dzaive
dzakapatsanurana imwe neimwe yakamira
payo yega. Mota dzataisangana nadzo yaive
mizvambarara yega-yega. Patakazopinda gate
kuratidza kuti taive tasvika ndipoka
pandakapotsa ndabatwa nechadzimira kuona
zuva seraibva nekumaodzanyemba. Takawana
pedyo negate mukati pakamira mota
yairatidza kuti yakauyiswa ikazoitwa
zvekuburutswa yakaputirwa nemapaper ayo.
Innoe ndiye akabvunza hanzi “imotaka iyo
sekuru?”

Baba Natie: hoo eee yasvika nhasi kuseni


ndatobuda nevanhu vauya nayo
tikaparadzana ndichiuya kuzokutorai
kuairport. Zvidiki-diki zvandaiitira mai Natie
mukadzi anongoda kutendwa kana akubarira
vana kudai. Pana Nathan akapotsa afa dai
zvaibvira achingoguma zvake neivava vatatu
ndakumutyira kuti akazoona zvaanoona
ndinenge ndaita utsinye. Mota yacho
yakanonoka kuuya ndakaita yekunotenga
kunze manje kuzotevedza process yekuti iuye
ummm ndakabuda mari muzukuru.

Vakabuda mbuya vachiuya kuzotigashira


vakabata mwana uyo akabva atorwa naInnoe.
Sekuru baba Natie vakambotenderera pamota
pataimbundirana nekuitana makorokoto
ataichinjana emwana nemuchato.

Baba Natie: ko hausati wavhura mota yako


mai Natie ndange ndichitoti pamwe ndowana
wakurova marounds?

Innoe: (achivabata musoro) hamusi kufara


wani mbuya asi mange musingaidi mota?`
Mai Natie: ndatika ndozovhura vadzoka
zvabva zvaita zvakanaka iwe uripo chikomba
changu tobatsirana kutenda mudziyo
watichashandisa tichienda kumadhiri edu.

Vakazonotenda tapinda mumba tikavabatsira


ndipo patakabuda zvakare yakunobviswa
mapaper ayewa waive mushina chaiwo.

End of chapter 34

Love you guys


CHAPTER 35
*Innocent*

Patakaziva kuti Purity aive ave nenhumbu


vanhu vakataura zvakasiyana-siyana zvavaiziva
nekuona kune vamwe kana zvaiitika pavari.
Vamwe vaiti nhumbu inochinja munhu kana
ange asingataurisi anobva aita pamuromo
panotoda kuti vanenge vachigara naye
vamunzwisise. Vamwewo vaiti kana
aimbotaurisa zvinogona kumuita kuti apuse
zvekutogara achingoti akaitiswa nharo
misodzi yotoyerera. Kusada kugeza kana
kugeza zvakanyanya, kudyisa chese-chese
kana kusema chikafu zvekuti umwe
anotoonda kubuda mabhonzo. Ini ndainzi
ndaive ndaita luck kuti nhumbu
yakakurumidza kubata ndisati ndanyatsojaira
zvaaive Purity saka zvaizoitika zvacho
ndaingozoona sekuti zvaive normal. Munhu
akapinda busy ndidad vangu chete isu vamwe
taifarirwa uye nhumbu yacho yaimuita kuti
andide zvakanyanya semubedroom
ndaidyiswa nespoon hombe yekubikisa iya.
Zvekuchinja izvo in a bad way taizviona
pabody yake haa nhumbu yakarambisisa
kumufita aiita seyakanamatidzirwa paari.
Chidumbu pachakatanga kuonekera chaiita
sekuti aimbopota achikwereta zvaisaita hazvo
ndochokwadi asi ndaingoona nemaziso
ndisingamuudzi ndichitya kuti aigona
kuzotsamwa. Chimwezve ini ndaive ndisina
basa neshape yedumbu chandaida kuti
mwana akure kusvika nine months dzakwana
obuda hake. Pane dzimwe nhumbu
dzataimboonawo mukufamba umu unobva
washuvira kuti dai ikasazvarwa zvayo nekuti
inenge yakanakisa munhu kubva kuchimiro
neganda zvese.
Ndakazopererwa musi wataigadzirira kumuka
tichienda kuSouth-Africa ndichitoti ndagona
kutandara neumwe wangu paairongedza
mabag edu. Hapana kana nyaya yakaipa
yaitaurika asi akandiridzira tsamwa yakarira
imba yese akabuda Purity. Ndaitoedzawo
kumuratidza kuti hama dzake ndaidzidawo
sekuda kwaaiita hama dzangu. Mainini Paida
vaive vandivimba zvekusvika pakundiudza
matambudziko avo avakasangana nawo vari
mumaoko aJona. Ndakavasimbisa pakuchema
kwavo ndichitoitira iye Purity kuti aone kuti
ndaizomira naye munhamo
nemumatambudziko. Pese pandaiita zvese izvi
haana kumboratidza kubatikana aitenda
uchinyatsoona kuti zvaibva pasi-pasi pemoyo
wake. Ndakangofunga kuti pamwe aive
akurwadziwa hake kuti Paida aida kugadzirisa
upenyu hwake. Vamwe vanhu vanoti kana
hama yaita yepasi ngairambe iri palevel iyoyo
isasumuka zvachose irambe ichikumbira
nekuombera kana pane chainoda.
Ndakabatikana nazvo ndikaedza kuti adzoke
ndizonzwa paive nenyaya yake akabva
andidzimira foni akagara panze namama.
Ndakabuda ndichida kuona kuti aizonditsvaka
here ndikaenda kwasekuru Nigel.
Ava vaviri vainakirwa zvavo ndakawana
vachidirana mvura nehorse-pipe zvino sekuru
vangu vaive vakapfeka mapush mumakumbo
aitsvedza wati kudonha here ikoko kwavaiita.
Gate raive rakashama saka ndakambomira
hangu ndichionerera drama remahara.
Vakazobatsirika pavakanombundira mbuya
ndichibva ndaridza hooter vakauya kwandaive
vakabatana maoko. Mbuya vakambobata
mabvi vakati “yowee ndaneta
uchandibhadhara chete baba two
wandimhanyisa.”

Ini: ko muri kurwirei nhai vanhu vangu?

Nigel: ndiyeyu anodenha hanzi hausi kudiridza


maruva zvakanaka rega ndikuratidze zvinoitwa
munhu akundidira mvura muviri wese.
Kwatove kunogeza futi amana ini ndabva
kugeza manje-manje.

Ini: makaura.

Nigel: uri side raani apa?

Ini: zviri pachena vakadzi are always right.

Nigel: zvawave kutaura izvozvo uchenjere


kudirwa mvura newewo.
Mai Two: (vakaseka) hazvirevi kuti vakadzi
hatitadzizve nhai hako muzukuru uri kuda
kuudzwa nyaya yandaitsiura sekuru vako
yakaitika muri mese kulodge uko.

Ini: yaPaida here mbuya nekumba uku ndiyo


yandisumudza kuuya kuno ndichitiza kudirwa
mafuta anopisa.

Mai Two: handei mumba.

Nigel: ini ndongozopinda ndapedza kudiridza


hangu ndichinogeza nekuchinja hembe.

Mai two: regai ndinogadzirira muzukuru


chikafu n…

Ini: ayewa mbuya mozoita tapedza kudiridza


ngatitandarei zvedu.

Takagara pamachair ini nambuya tichivaraidza


sekuru vaidiridza pedyo nepataive.

Mai Two: ndaiti zvakaitwa nemuzukuru


zvakaipa ndiko kuisa mutemo mumaoko ake.
Tingamuti akagona nekuti vanhu vakawana
zvekutaura but munyika muno maipa
anotsvakirwa vanhu akaurayiwa zvigobatsirei?
Munhu akakuti ndokuda ukazvinyararira
achitaura ega anopedzisira aneta. Umwe
ukamuudza wakarova serious chaiko anoona
kuti apa hapana chinobuda odzokera
kumashure.

Ini: but isu takatadzei nhai mbuya chekuti


tingatopinzwa mumhosva? Ini ndange
ndichitaurawo zvimwe zvandange
ndichifananidza namainini Paida zvikanzi
naPurity sei nyaya dzese-dzese dzangove
naPaida mukati abva aramwa akabuda.

Mai two: ukaona munhu otaura zvinenge


zvanyanya aa munin’ina wangu ngaazive kuti
ndini ndakaita azivane nemurume wangu
akazonyanya kudarika muganhu ndototaura.
Zvakaitwa naLoveness izvozvo kufonera baba
two akati ndokumbirawo mari yekuenda
kutrip. Raitove due date saka baba two
akangozoisa mari yacho muaccount akauya
achindiudza. Haana kundifonera kuti sisi
ndazotaura nabamukuru handina
kumubvunza mama ndivo vakanditumira
message vachitenda. Ipapa pamazuva avaive
vave torwards kuvhara akaisira baba two
message zvikanzi bamukuru ndokumbirawo
mari yakati. Ndini ndaive nefoni ndakabva
ndamufonera zvikanzi ndeye mabook
andakarasa kuchikoro saka varikuti havatipi
mareport book kana tavhara.

Ini: pamwe anotya kuti akakumbira imi


motanga mamutuka?
Mai two: chero ndikamutuka handiti
chakakosha kuti azoiwana mari here, uye
hapana chakaipa kumutsiura kuti
achengetedze zvinhu. Anoziva kuti bamukuru
vake vanomupa mari vakanyarara zvopera ini
ndinototsvaka kuti ari kutaura chokwadi here.
Ndakatozofonera headmaster wavo
vakaconfirmer kuti yes ane chikwereti
ndikaisa mari muaccount yechikoro.
Hatikurambidzii kutamba nevaramu venyu
pamwe mogona kuona setine godo kwete ko
munhu anofudzwa here kana angoda kuita
misikanzwa yake anongoita pamwe
ukasazviona. Ko ukamupa mari ini ndisingazivi
obvisa nhumbu pamwe ofa kana kubatwa
onyepa kuti ndeya bamukuru zvinozobuda
zvakanaka here?

Ini: ipapo manje anenge ari maone mbuya.

Mai two: baba two vakatomboti anongove


mwana dai warega kubvunza ndikati ukaona
ndichitodai kureva kuti ndokuda. Pakabuda
nyaya dzakaipa ndepapi pandingazomira
newe ndichisiya mwana wamai vangu?
Akauya achichema shuwa kuti bamukuru
vandibata ini ndongoti ichokwadi unodzokera
kujeri.

Nigel: (vachivhara mvura kutap) haa mainini


vangu vanorovesa vamwe mai nehana
ndakada kuchemerwa achibvunzwa nyaya
yemari.

Mai two: kkkk inzwai kunyepa ndaichemei


zvangu?

Ini: kutyaka kuti achiri fresh nhai mbuya


zvasiyana nevangu aa tongotamba zvedu but
handizokanganwi pandakatanga kumuona
zvainzwisa tsitsi henyu.

Mai two: pachokwadi chaipo zvamuri kumuita


Paida muri kumupusisa kana kumupa false
hope. Achafunga kuti pamwe muri kumuda
zvodyara ruvengo achiona sekuti mukoma
wake ndiye ari kutadzisa kuti mubude
pachena. Achawana anomuda iye
achimudawo asi nekuda kwekuti imi
momuteverera achatadza kutevera moyo
wake. Ndaitombofunga kuti ndimuise panight
shift zvipere hazvo nekuti kana Masiziba
akuchema-chema nazvo zvamunoita kureva
kuti haasi kufara.

Takatozowarairwa zvedu seni kakutsamwa


kandakabva nako kumba kakapera. Ndaive
ndakutoronga kuti ndonotaura sei nemukadzi
wangu tinzwisisane. Pamwe pacho
panongoda kuteerera kana uchitsiurwa
unobva watoona kuti wange uchikanganisa
iwe uchifunga kuti uri kugona.
Chakandinonotsa kudzokera kumba
ndechekuti sekuru Nigel vakati vaida
kundibatisa zvinhu zvavo kuSA. Ndakatozobva
kumba kwavo vachiti vakuenda kunorara
ndikawana kweduwo vanhu vaenda kunorara.
Takasvika tichigadzirisa nyaya yedu
ndikakumbira ruregerero akanzwisisa Purity.
Takarara pasina akatsamwira umwe handiti
zvinonzi usadokese zuva wakatsamwa?
Hamheno kuti zviri papi mubible asi zvirimo
imomo mukati-kati maro. Nyaya yaitondinetsa
mumoyo ndeye rwendo rwekuendesa mbudzi
rwataizove narwo kana tadzoka kuSA. Zvainzi
naPurity aizoenda kunogara kumba kwavo
kusvika apona izvowo-izvo ndaiona
zvisingaite. Dai maiona matamburiro andaiita
pandaienda kuSA zvemazuva chaizvo kuzoti
paainogara mwedzi mitatu asipo ndaitofaka.
Aifanira kundinzwisisa asi panguva iyi
ndakambonyarara nyaya yacho ndichiti
ndaizoitaura kana akuda kuenda.

Rwendo rwekuSA rwakabudirira uye


takafamba zvakanaka vakafara sekuru
nambuya nekusvika kwatakaita Purity
achionawo pavaive vakagara. Vaive vagara
vachizivana nambuya mai Natie saka hazvina
kumbonetsa kuti vawirirane. Taingonzwa
vachiseka vari mumba isu tiri panze
pataigadzirira kumbotester mota itsva yaive
yatengerwa mbuya. Rudo havo vana sekuru
vangu vaive narwo vamwe havagoni
kungotaura nemuromo chaiwo vachitenda
pavanenge vagonerwa. Varume vakawanda
futi vanoona sekuti vakatenda mukadzi
vanenge vamukwidza padenga-denga. Chaive
chikomborero chikuru ichi uye zvinongodadisa
kuziva kuti umwe wako anoonawo paunenge
wagona. Ndaimboti pamwe dad vaizopiwa
chikafu vanzwa nenzara zvakanyanya nekuti
hapana pavaiti vapedza kudya votadza
kutenda kuti “maita basa vamaNdhlovu
matibikira tadya taguta.” Ipapo vaireva mama
but ndakazoona kuti nepakauya Purity
vaitenda futi. Chinofanirwa kuzivikanwa
neanenge achitendwa wacho manje
ndechekuti hautendwi nezvaunoda iwe iye
mutendi ndiye anoona chaanofungira kuti ichi
chakanaka. Ukatenda futi uchiratidza kufarira
zvaunenge wapiwa unenge wafadza anenge
akupa chero mangwana anowana simba
rekukutengera zvimwe zvikuru. Sekuru vangu
vakafara vachinzwa mbuya mai Natie
vachivatenda nemutupo. Ndaizoseka hangu
pataiona mota tiri panze taiti tikasvika
pazvimabutton-button zvaive mberi wainzwa
vodaidza “babie huya uone.” Yaive mota
yechimanje-manje idzodzi dzekuti inokuudza
kwauri kuenda kuti road yakamira sei saka
ndizvo zvimwe zvavairatidzwa mbuya.
Vakazobuda sekuru nguva dzabata pana three
masikati vachiti vaive vadeedzwa kubasa asi
vaizokurumidza kudzoka. Ini chakaita kuti
ndisare inyaya yekuti vakafonerwa
ndichangopinda kunogeza saka ndakaona kuti
vakandimirira vaizononoka. Takasara
nambuya vakati “chero pakaenda mama
vakudzokera kuZimbabwe akangovatora
akaenda navo kwaOK akati vasarudze
furniture yavaida yekuchinja yese iri kumba
kwavo. Vakafonerana neOK yekuMessina
vakanzi vaigona kunotorera ikoko.
Zvakatosengwa zvikaenda kumba pana
malaicha wavakataura naye anogara
kuGlenview kwedu ndiye akanovatorera.”

Ini: ko sekuru vainzi vairwara vave sei?

Mai Natie: pakashaika bamunini navatete


paya takangovavigaka vanhu vakapararira
hatina kuziva kuti mweya yavo yaifanira
kufuratidzwa.

Ini: ndiko kudii ikoko?

Mai Natie: sort of kuibvisa mumusha


hamheno kana zviri izvo zvandiri
kutsanangura neniwo pandakaudzwa handina
kuzvinzwisisa ini. Manje baba vange
vakuvingwa nevakafa ava kuhope ndizvo
zvakaita kuti varware.

Ini: zviriko here zviya zvekunzi vakafa vanouya


zvacho ndonzwa chero dad namama
vachimbozvitaura?

Mai Natie: ndoona sekuti zviriko ini nekuti


pavakaendeswa kuchipatara vakanonzi
hapana chirwere chavakaona asi ipapo
vaitonzi vairwara zvekutadza kana kugara
chaiko. Doctor ndiye akatovaudza aona
vachingoramba vachiita serious akati madii
mamboedza zvechivanhu kana zvemachurch.

Ini: saka iye zvino vanoti vave sei?

Mai Natie: ndaitaura navo madeko baba


pafoni vachitoseka kuti vakuda kudzokera
kumba. Unotonzwa nevoice chairo kuti vave
nani. Pamaweek ari kutevera ndipo
pavarikuenda vonoita zvacho zvinoda
kurapirwa vanotonoungana mhuri yese
kumusha kwkaavigwa bamunini navatete.

Ini: saka imi muri kuenda he…?

Handina kupedza kutaura sekuru baba Natie


vaipindawo vaine friend yavo uya ainzi
George. Purity aive agara asimo hake aive
asumuka tiri pakati pekutaura achienda
kunogeza. Goerge aive aperekedza sekuru
nemota yake, yavakaenda nayo yavo vaiti
yaiita sound yavaisanzwisisa saka
yakatozosara kugarage kuti itariswe. Haana
kugarisa George akangoti taizoonana
kuchipatara aive atoudzwa kuti taizosvikako
muzuva raitevera. Takamuperekedza kunze
kwegate kwaive kwasara mota akanokwira
tikadzoka hedu mumba. Sekuru vaive vanzwa
nyaya dzataitaura nambuya saka vakasvika
vachigara paside pavo vakati “ndizvo zviya
zvandaireva kuti zvimwe zvemufamily hazvidi
usarire mai Natie zvogona kuzokunetsa
mangwana.”

Mai Natie: ndingaenda kumusha nemwana


mudiki iyeyi shuwa worse kuri kunoungana
vanhu ikoku nhai?

Baba Natie: mwana akakwanisa four months


uyu inga maiguru mai Proe vane mudiki ane
two months vaiti vanoenda wani?

Mai Natie: zvakasiyana baba Natie ivo vagara


variko kuZimbabwe manje ini ndokwira kubva
kuno ndozonodzika kumusha futi?

Baba Natie: dad havasati vaona mwana


waingoenda nekuBulawayo wozonokwira
kuenda kuHarare uchinobatana nevamwe ko
zvinotora mazuva here? Pakaita family
meeting mukadzi akasaenda iwe murume
ndiwe unonzi wamurambidza.
Zvaparikugadziriswa zvemusha ko kana
pakanzi pane zvinoda kugezwa iwe ndiwe
unobva wasara.

Ini: ndizvo zvandange ndichida kutaura hangu


pamazopinda apa kuti pazvinozoda kuuya
zvinhu zvacho zviri kunetsa zvinotsvaka
anenge ari weak.
Mai Natie: ini zvekufamba zvinondinetsa dai
vanhu vangondinzwisisawo ipapo.

Baba Natie: manje kana usingafambire vamwe


hapana anombozowana simba rekukufambira.
Izvi hazvo hazvisi zvekufambirana asi tiri
kutaura zveupenyu hwenyu unotofanira
kuvhunduka nekuti zvazobuda pachena
mushure mekunge paita urwere.

Hatina kunzwa mhinduro yavo mbuya


takatozochinja nyaya takungotaura dzimwewo
dziri general tichiseka. Mufaro waivepo zvawo
chero Purity ndakaona kuti akakurumidza
kusununguka haana kumboita zvekuhwanda-
hwanda seri kwedoor zvaaimboita kana dad
vasvika tiri kumba kwedu. Sekuru baba Natie
vakagara vamuudza kuti pamba pavo paive
pasina mitemo aifanira kungonzwa seaive
kumba kwavo chaiko. Takatandara husiku
kuita setaive paweekend kutokanganwa zvedu
kuti muzuva raitevera taizomukira
kuchipatara. Taive tabooker eight o’clock
chaiyo kuseni but ndaitoona sekuti nguva
dzaisafamba moyo waitsva kuda kuziva zvaive
mudumbu.
Manakiro anoita mukadzi kana mashanya
haana kumira mushe kani ndakaita sendaive
ndatanga kumuziva musi iwoyo. Iye aidawo
ndaingoti kubatwa nehope nguva diki-diki
ndotomutswa achitambisa pakati
pemakumbo pangu. Paainzwa kuti ndapepuka
aibva atokwidza gumbo pandiri kana
kutambisa chiuno kuti ndizive kuti ave ready.
Taiita sevanhu vadyirana madrugs but
zvakanaka zviya kana mese muri mumood
pakazoita anenge akaneta munorara umwe
achema nekurwadziwa.
Takamukira kuseni sekuru Farai vakanotisiya
naGeorge ndiye aizoita scan nezvese zvataida.
Vaiwandirwa sekuru nebasa ipapa vaifonerwa
kwakasiyana-siyana vachideedzerwa
emergency. Chakanakira kushanda nesimba
ndechekuti reward yacho inouyawo yakakura
vanhu vanozoona zvishandwa vanobva
vamhanyisa pfungwa kuti mishonga.
Ndaizvionazve kwangu kubasa ndaiti week
imwe chete yandinoswera ndakamira
makumbo nemusana zvichirwadza
ndaizorapwa nebalance inenge yave
muaccount mangu. George zvake taizivana
kubva kare so nyaya dzaisapera taitotaura
tichiseka tichimirira kuti nguva dzikwane.
Takazopinda akunoita basa rake apa ndipo
pandakapererwa achiti pakatoita movement
achangoisa machine. Akaedza zvese-zvese
zvikashaya basa kakaramba kuonekwa zvakare
akatiti tigozoedza zvakare kana nhumbu
yasvika kumatwenty-eight weeks. Sekuru
pavakadzoka vakaseka vachiburuka mumota
vaitoti neexperience yaive naGeorge hapana
paaizobuditsa maresults ekufungidzira. Iniwo
ndaitove nemadoubts patakaita scan
kuZimbabwe asi apa ndakangozogamuchira
zvaivepo. Mama vakafona havana kumirira
kuti tivazivise vanenge vainonokerwa manje
vakabhowekana vanzwa kuti hapana chaive
chafamba.
Kwasekuru Farai takazoita dzimwe two days
ini ndichiswera nasekuru kubasa uyu Purity
aitenderera mutown nambuya vachitenga
zvinhu zvake zvaaida. Haana kutenga
zvakawanda hake sezvo rwendo rwedu
rwaipfuurira kuenda kuCapetown kwana
mama Felie. Pavakangonzwa kuti taive
kwasekuru Farai vaifona everyday vachiti
vaitifudza kuti tisadzokera tisina kunovaona.
Takazoenda hedu kunovaona tikawana
vakagadzirira chaiko kugamuchira muroora
wavo. Vakatodeedza mashamwari adad
ekubasa nemhuri dzawo ikaita sewelcome
party chaiyo. Purity hake kana aizochinja
moyo wakeka aizorwadzisa vanhu vakawanda
nekuti aidiwa zvandaiona ndega kuti rudo
rwacho rwaive rwakawandisa. Umwe
neumwe munhu paari aiona ari iye mufaro
wamama vangu wavaive vakamirira makore
ese avaishuvira kuti dai ndaroora. Pamwana
vaive vave netarisiro nekuda kwenhumbu
iyoyi saka munamato waingove wekuti
mwedzi ikwane azvarwe zvakanaka
vagomubatawo mumaoko avo. Mazuva
ataiveko vakamborega kuenda kubasa mama
vachiswera naPurity pamba kana
kumuperekedza mutown achinotenga. Ini
ndaingoona mazipaper ndadzokawo kwangu
kwandaiswera ndichitsvakana nezvinhu
zvekubasa kwangu nezvimwe zvasekuru Nigel.
KuCapetown takaita week yakazara and
patwo days dzekupedzisira takambotenderera
nemukadzi wangu tichiona nzvimbo
dzemafaro. Taitoita zvataifanira kunge takaita
kuhoneymoon paya paaive achakapusa
pandaishuvira kuti anetsere kuberekwa
nekudyiswa chikafu. Ndakanzwa ave kuti
“mazuva aita mashoma kuno kunongoda
kuuya usina zvimwe zvaunoda kutenga.”
Nyaya yekuendesa mbudzi ndiyo
yakatisumudza vana dad namama vaive
vakungobvunza everyday kuti taive tafunga
kurega kuzviita here. Mhinduro yekuti
taizoenda rini vaive vasina kuudzwa zvichinzi
kana tadzoka ndipo pataituma sekuru baba
Munya vonopiwa date.
Musi watakasvika chaiwo takazivisa sekuru
baba Farai vakafonera sekuru baba Munya.
Sekuru baba Farai vakagara vataura kuti
vaiuya kuHarare saka paizouya mhinduro
vaitonosangana nasekuru baba Munya.
Takanzwa zvakare kuti mbuya mai Natie vaive
kuBulawayo vaive vafambira nyaya dzekumba
kwavo dzainzi dzaizoitwa musi wathirty
August wakare iwoyo. Vaive vagona havo
pakuteerera kutsiudzwa kwavakaitwa
nasekuru nekuti apa vaitotyira upenyu hwavo
kuti hwaigona kuzokanganisika nekuda
kwemhepo dzevakafa.
Isuwo sevanhu vaive nechivimbo chekuti
shoko redu rembudzi raizouya richiti
programe inoenderera mberi dad
vakasanotenga mbudzi dzikauya pamba.
Taitarisira kuti musi wathirty sezvo yaizove
Saturday taizoenda kwaMadondo ndikatoti
Purity arongedze agonoitawo mazuva matatu
achiona vamwe ozodzoka hake akugadzirira
zvekudzokera kuchikoro. Vakafona sekuru
baba Munya vachiti vana baba vaPurity
vaifunga kuti zvembudzi zvaizoitwa pakati
pemwedzi manje zvawaive watopera kudai
vaive vakabatikana hapana aikwanisa kuuya
kuHarare. Takapererwa tese kana ari saPurity
akatadza kuzvidzora akachema. Yaisave
mhosva yake nguva yaive yareba asina
kuonana namama vake. Vakaronga kuti
taizoenda pakati pemwedzi waSeptember
kureva kuti vakaendesa mazuva mberi netwo
weeks dzese. Mbudzi manje mutown
kumadale-dale vanhu vaizoti chii ndipoka
paizonzi hwave huroyi? Vakatiomesera vanhu
vekwaMadondo inga kumashure kwese uko
taive tashandidzana zvakanaka wani?
Takashaya zvekuita tikapedzisira tadziuraya
dzese nyama yacho tikagoverana nana sekuru
uye imwe yakazotakurwa nambuya mai Natie
pavakadarika nekumba vachiona mama
vakuenda kuGlenview. Vakauya vaina sisi vavo
vekuGweru vaitoti vaive vasvika nezuro wacho
vakararira kwasekuru Nigel. Kuuya kumba
vakaperekedzwa nambuya mai two
vakazoparadzana pavakauya kuzotorwa
nasekuru Nigel sezvo mota yavakauya nayo
yaizoenda nana mbuya kumusha. Mwana
wasisi vambuya mai Natie` aive mudiki shuwa
zvaizowedzera nebody yake futi aive asina
kusimba saNathan. Nathan waitoti pamwe
aive akuda kukwanisa eight months mama
vaingorumbidza kuti aive akatora body yavo.
Hapana wekwaChitimbe akaperekedza mbuya
mai Natie kumusha vanhu vakavimbisa kuti
vaizoenda kunoona sekuru kana vadzokera
kufarm kwavo. Program yavaifambira yaive
yemhuri ndosaka sekuru Farai vasinawo kuuya
asi pavakafonerana namama vaiti vaizoita
plan vozobatana nevamwe kana vakuenda
kufarm.

End of chapter 35

Love you guys


CHAPTER 36
*Purity*

Nezvandakaona kunana sekuru vaInnoe naiye


Innoe kubva pandakapinda mumusha
mekwaMapanzure ndakadzidza zvakawanda.
Vanhu vane chijairira chekutuka varume vese
vachivati imbwa zvinova zvakashata zvinotoda
kugadziriswa. Umwe neumwe ngaatukwe
nemhosva yake yaanenge aita kwete kuti Jona
akaita utsotsi hwake tototi varume vese
ngavafire zvivi zvake. Vakadzi vanenge
vaitirwawo zvakanaka nevarume vavo
vanofanira kuzvitaura pachena zvofamba
sekufamba kunoita guhwa revanenge vaita
zvakaipa. Vamwewo vanoti rudo haruratidzwi
kupfurikidza nemari asi ndoona
sezvinongoenderana nekuti waunodanana
naye anei chekuti akupe. Vane zvipo
zvekuvhima vanoswera musango vachibata
mhuka dzekuzopa vadiwa vavo. Vanoveza
unoona vaita mifananidzo yezviumbwa
zvevadiwa vavo. Vane mari futi vanoitira
vadiwa vavo zvitengwa-tengwa ingave
midziyo, mota kana kuvakirwa midhuri
yekushandisa. Vakazviita vana sekuru vangu,
pekutanga ndibaba Two vakavakira mbuya
lodge vakaisa mazita avo pairi. KuSouth-Africa
takanowana mbuya mai Natie vatengerwa
mota itsva kani yaive isati yambofamba
zvachose. Takavabatsira kutenda vakafara
sekuru ndikanzwisisa kuti vaiti kutenda
kwakakosha vairevesa kunoita kuti munhu
azvirove dundundu kuti zvaanenge aita
zvakakosha.
Ndakambonzwa kusungikana
ndasanganidzana nepicture raive kumadziro
mbuya mai Natie vakamira naNashe. Zvaive
zvaitika pakati pangu, Innoe naNashe
vaizviziva ndakangofunga kuti pamwe
vaizotora side remwana wehanzvadzi yavo.
Nashe ndaimutya kubva kumumvuri wake,
paatsika kozoti photo irori rakandirovesa
nehana. Aive munhu anotaura zvaanoda
achidzikisa nekuonera vamwe pasi. Handizivi
hangu pakurova kuti aive nesimba zvakadii asi
nezvakamboitwa naLoca kwandiri ndaiona
sekuti kurohwa kumwe nekumwe kunoendesa
kumakuva. Mbuya havana kumbotaura
nezvake fear yakangoendawo ichipera
tichijairana mumazuva ese atakagara kumba
kwavo. Ndakaona kusununguka pavari uye
vaizvipa nguva yekufamba neni kutown
vachindibatsira kutenga zvandaida.
Takazowana nguva yekutaura musi
watakapedzisira kupinda mutown
tikakurumidza kudzoka ndichiitira
kunorongedza nekuti muzuva raitevera
taifanira kudarikira kuenda kuCapetown.
Innoe ndaingomuona husiku adzoka nasekuru
kubasa. Aitipa mukana wekujairana nambuya
zvinova zvakandibatsira chose nekuti
mashoko avakazotaura muzuva rekupedzisira
aive akakosha. Taive mutown pavakati
ndipinde mumota vandipe mwana ndibate.
Ndini ndaienda ndakamubata nekudzoka
zvese ndakagara kumashure ivo vachidriver.

Mai Natie: ndati mother vaende zvavo nhasi


takasira ndombosvika ndichibika zvozoda here
kuti mazuva ose murume anodya chikafu
chausina kubika? Unobvunzwaka kuti zviri
kunaka izvi waisei woshaya zvekupindura
kusvika pakuti ndaisa sugar.

Ini: (ndakaseka asi handina zvandakapindura).

Mai Natie: ndakazoseka musi wandakatanga


kuenda kubasa hope dzeuzvere aiwe kurara
kusvika pakubuda masiriri.

Ini: (ndakaseka) iii kuzobuda masiriri here


mbuya ndofunga makatorota chaiko?

Mai Natie: (vachimutsa mota) uchazviona


hako uzvere hwakaoma vamwe vanotsikirira
vana nekurarisa ikoku.

Ini: iii makundityisa mbuya seni hangu


ndikarara chero mbavha ikapinda mumba
handiinzwi.

Mai Natie: kana uchitanga kubara kudai


wotosimba necoatbed ndoona sezviri safe
mwana orara ega.

Ini: kana kumbozvifunga henyu manje


ndichazoitenga rini?

Mai Natie: ungazotenga zvese neone day here


hauoni kuti tanetseka sei kutenga hembe
chaidzo sezvo tisingazive kuti munhuyi. Ane
misikanzwa mwana wako akaramba
kudongorerwa chiweti chake.

Ini: zvokonzerwa nei asi nhai mbuya?

Mai Natie: ndinganyepa muzukuru


ndongonzwawo kuti zvinoitika handina
kunyanya kuzvitsvaka hangu.
Ini: Innoe akabva abhowekana kkk.

Mai Natie: chakanakira nhumbu ndechekuti


kana zuva rayo rekubuda rakwana hapana
chinoramba uye tinobva taziva kuti mwanai.

Ini: taurai henyu takungomirira zuva racho.

Vakambonyarara tapinda muarea mavo


macorner aive akawandisa saka vaimboda
kufocuser nekudriver chete. Takanomira
tasvika pagate vakamboridza tsamwa
vachibata-bata mberi kwavaive vakagara.
Vakazovhura gate tikapinda vakatakura
maplastic angu vachiti “takurana nasekuru
vako, anokuda Nathan kana wakamubata
haachemi.” Vairevesa zvavo taive tawirirana
ndaitorwadziwa nekuenda kwataive takuda
kuita ndaizomufunga mwana uyu.
Aingoyevedza zvake uye vaigona
kumupfekedza zvakanaka. Zvisinei hazvo
takanopinda mumba vakatora mwana ini
ndokuenda kuroom kwedu kunosiya
maplastic angu. Ndakadzoka vakuyamwisa
mwana vakati “totenda mwari muzukuru
vanhu vakawanda vanotarisira nhumbu kana
munhu aroorwa. Ini zvakambondinetsa
mumba yemukati ndaiita sendaibatwa
nemweya kuda ndiwo avanoti maspritual
husband acho.”

Ini: (ndaitodawo kunzwisisa nyaya iyi


ndaingonzwa vanhu vachizvitaura) chii
chakaitika nhai mbuya?

Mai Natie: unoziva chero neni pano


ndinombofunga kuti chii chaiitika asi hapana
chakajeka chinobuda. Ndakagara Masiziba
nguva refu ndisinganzwi kuti chii chinonzi
bonde. Farai ndaimuona ari murume wangu
kana asipo akangosvika kudai ndaibatwa
nekutya. Nhumbu haina kubata panguva
iyoyo iniwo kuti ndizvibvunze kuti chii
chaiitika pfungwa dzaive dzakatorasika kare.

Ini: saka makazoita sei?

Mai Natie: ndakataura namainini mai two


after ndatsvaka kwedu kumba kuti
ndingachemera ani nedambudziko randaive
naro iroro ndikashaya. Mama vaigona
kufamba neni zvavo but vaitofanira kutanga
vaudza vana baba vangu hapana
pavaizosumuka neni muchinyararire. Kunana
sisi vangu zvinhu zvaive zvisina kumira mushe
taiita sevana vepabarika pese pataisangana
paitaurwa mashoko anorema ekurwadzisana
chete. Hana yangu yakangoti mainini mai two
ndikagutsikana kuti ndivo vandaizotaura navo.
Vakandibatsira mainini chero nanhasi
ndinoshaya kuti ndovatenda nei. Vane
hushingi hwandisina ini nekuti vakanditora
vakandiendesa kumusha kwavo pasina kana
vakuru vekwaChitimbe vaiziva ndikanorapwa
nambuya vavo ndikadzoka imba yangu
ichishanduka zvandakaona ndega kuti ndave
chisikwa chitsva.

Ini: totenda mwari kupfurikidza nemasimba


avakaisa pana gogo kuti upenyu hwenyu
hushandurwe.

Mai Natie:mhepo dziriko Masiziba kungoti


vanoramba vaya ndevanenge vasina
kumbosangana nezvibingaidzo muupenyu.
Vamwe vakakuona wakagara kudai vanoti
zvavo vasingazive kuti kwawakabva ndiko
kure. Chandinoda kukuudza ndechekuti
hapana dambudziko kana muyedzo
waunosangana nawo usina kumbowira
vamwe muupenyu hwavo. Vakawanda vane
matestimony anogona kutisimbisa kana
takuremerwa. Ndataura izvi kuti unzwe
kusununguka kana pane zvaunoda kubvunza
nekudzidzawo usazoti aa vana mbuya upenyu
hwavo muchechetere. Takadai ini namainini
mai two tiri vana maiguru vako kureva kuti tiri
masisters pakuroorwa kwedu. Isu kwedu
kwaMatambanadzo takakura tichinzwa mama
vachidaidza vana vana tete vedu vakomana
kuti bamunini.

Ini: ndizvozvo chaizvo ndoonawo mama


vekuVictoria-falls havatogoni kudaidza
vazukuru nezita.

Mai Natie: Innoe akangofanana nekuti


munin’ina wababa Natie nababa two
haafanire kuremerwa kuti akazvarwa ari one
isu tiripo. Aunty futi ndovabvisira hat ayewa
pavana vehanzvadzi yavo muromo umwe
angave mafaro kana mukurwadziwa
ukangofona chete ziva kuti zvese zvatove
mugwara. Munhu wese aive akungoringa
nzira kuti dai Innoe aroora vawana shamwari
asi totenda mwari. Pamakachata
ndakarwadziwa kusvika pakushuvira kuti dai
ndakangopona hangu chero mwedzi isina
kusvika.

Ini: (takaseka tese) iii premature here mbuya


ayewa vanhu vese vaitonzwisisa kuti maive
makaremerwa.

Mai Natie: akandirwadza Nathan uyu


zvekusvika pakukumbira mama ruregerero
kkkk.

Ini: kkk rwei futi?

Mai Natie: zvinani nhaiwe ndainzwa kuti


ndakufa saka ndaida kuenda kudenga
ndakachena.

Takataura zvakawanda tichibika zvedu


chinzwa kunhuhwirira kwaiita mumba ndaive
ndakumedzerera mate. Vakasvika vana sekuru
naInnoe vakananga kukitchen vanzwa
kunhuhwirira. Ndainyara ini Innoe
akangosvika achindimbundira ari kumashure
kwangu ndokundikisser muhuro. Avawo vana
mbuya nasekuru vakambundirana
vakatarisana ndokuzobatana maoko zvikanzi
nasekuru “muri kubikei tanzwa kunhuhwirira
tiri kunze kwegate chaiko?”

Innoe: ini ndatanga kuzvinzwa tichiri mutown


chaimo.

ZvaInnoe veduwe takaseka tese vakabuda


vakunogeza isu tichipedzisa zvataiita
nekusetter table. Isu zvedu takangosundwa
kuti tidarikire kuenda kuCapetown nekuti
taive tagara tavimbisa mama Felie kuti taive
munzira. Chimwezve chakaita tidarikire inyaya
yekuti zvinhu zvaidiwa naInnoe zvaiwanikwa
kuCapetown. Handina chandakashora kumba
kwasekuru baba Natie takave nenguva
yakanaka chose takanzwa kugamuchirika kune
rudo nemufaro.
Zvisinei hazvo takapfuurira tikanogamuchirwa
zvakare nerudo namama Felie. Innoe
aitoyema chaiko ndaizviyemura hangu rudo
rwaive pakati pamai nemwana rwaive
rwakasimba. Zvimwe zvacho zvaitosara padiki
kundichemedza nekuti taive natete vamwe
chete vataifanira kubatana navo asi iii tete
vedu vaidzima moto. Ndozvavaiitwa namama
hanzi “tete here chero vakasvika mabatidza
rimi remoto vanokuturira drum remvura kuti
vagutsikane kuti moto wese wadzima.”
Kwamama Felie ndakawana kwakatengwa
matowel matatu mahombe avaiti
ekuberekesa mwana. Bed remwana
takaudzwa kuti tikatenga aizorara
achichinjanisa. Vaiti vaida kuzouya
kuZimbabwe mumwedzi yaitevera saka
vaizouya nayo. Mwana wangu aizochena
zvake isu taive takungotengera kuti taidisa
zvinhu chete. Vana sekuru baba Natie
nambuya vakatenga futi zvakawanda handina
kutombowana nguva yekuzvitarisa nekuti
takapiwa plastic hombe pataive takubuda
kuenda kunobata ndege yekuenda Capetown.
Kwamama Felie takagarisa mazuva akawanda
izvo zvakaita kuti vaive kumba vatange
kuchema-chema nekuti kwaive neprogram
yemasungiro yaive yakatimirira. Iniwo
ndichiona kunonoka kwataiita uku ndaive
ndisisina kugarisika shungu dziri dzekuti
ndimbonoonawo mama vangu. Dai ndaive
munhu anotaurisa pamwe ndaidei
ndakaonekwa kuti ndaive ndisisina kugarisika.
Nguva zhinji ndaipedza ndakanyarara hangu
setsika izvo pfungwa dzaive
dzasanotungamira kuZimbabwe.
Takazoenda zvedu ko kufamba kwemudenga
inyore-nyoreka munongoita semakandwa.
Mashoko atakagamuchirwa nawo namama
nababa aive ekuti takanonoka kudzoka.
Vanenge vaitonetsekawo kuti kana holiday
yaizopera program yacho yaizofambiswa sei.
Zvakabva zvaenda mudondo zvese zvataive
takaronga vana baba vakati vaive
vakabatikana vaisakwanisa kuuya at such
short notice. Pfungwa dzangu dzakamhanya
kuti pamwe zvaizobudirira zvakare paholiday
yaDecember. Ndakatadza kuzvidzora ini
ndikachema zvaive zvanyanya seiko mitemo
yaisimbirirwa pavanhu vanenge vachida kuita
zvinhu negwara? Vana baba vaifanira
kungorongana kouya one wavo basa
rotopfuudzwa. Ipapa pakadai ndipo patinobva
tarasika nekuti munhu ane mafungiro ake
nematorero aanoita nyaya. Zvakafanana
nekuti ukasangana nedambudziko vanhu
vakakuudza kuti unamate unorasika ugoti
“mwari vacho vanondiona here sei
vachindirega ndichiwira pakadai?” Ini
ndakafungira mumoyo kuti dai aive mwana
wavo chaiye-chaiye vaizodhonza mazuva here
zvavakaita izvi. Kutaura chokwadi pfungwa
iyoyo yakandishungurudza nekuti
ndakazofunga support yavakapa Paida aita
misikanzwa yake ndikaita sendichadambura
muromo wairasika iwoyo. Kubva kumashure
kwese uko vaideedzwa vachiuya nenguva
sezvo yaive first time yavo kupa excuse
taifanira kunzwisisa. Ndakazvitsiura
nekurasika kwakadai asi pfungwa yekufunga
mama haina kubuda mandiri. Takazonzwa kuti
taizoenda pakati paSeptember ndikanzwa zviri
nani. Vandaive ndakunzwira tsitsi manje
ndibaba vakanga vatangana neye kutsvaka
mbudzi zvakare sezvo dzaive dzambotengwa
dzacho vakadziuraya tikadya nyama.
Ndaivanzwira tsitsi pavaibuda kuseni vachiti
vakunotsvaka kumapurazi. Manheru vaiuya
vachitsanangura mafambiro avaiita ipapo
moyo wangu waibva wafara kuti
vasambodziwana varambe vachinetseka
chete. Kumwe vaiti vana vaitiza vachitya
kuchekwa musoro. Ndakazotadza kuzvidzora
umwe musi ndikaseka ini asi haisi mhosva
yangu mama vaizonyanya kuridza chikweee
pese paitsanangura baba. Ipapa vaive vasvika
pakudemba kuti dai vawana chimota
chisikoro-koro nekuti pavaisvika vachiti vaida
mbudzi mbiri apa vachibuda muzimota vanhu
vaibva vatotanga kufungira-fungira votoramba
kuvatengesera. Chandakada hangu pavanhu
vekwaMapanzure ndechekuti vaiti vachibvisa
pfuma vaiita nemoyo wese. Mombe
dzavakabvisa dziya paive nehadzi mbiri
kusanganisira yamama dzaitonzi dzaive dzave
nevana. Mbudzi dzavaive vatsvaka
dzakazourayiwa dzaive dziya chena dzinenge
dzine misoro mitsvuku. Raive breed
rinoyevedza uye hadzi yacho payakaurayiwa
yakabviswa zvivana zviviri. Vamwe kana
vachibvisa pfuma yemarooro unotoshaya kuti
vamanikidzwa here. Mombe dzinenge
dzakaonda turi tumhuru futi tune chikwekwe.
Mbudzi dzinenge dziri diki dzinotorwa
pakuyamwa mukaka seiya inodyiwa inogona
kutotadza kukwana vanhu vanenge
vakaungana. Kwavaive vambowana mbudzi
dzekutanga vaiti dzaive dzatakurwa
kuendeswa kumwe kuti dziwane chikafu
chakakwana. Padzaigara pafarm raive pedyo
dzaive dzakurarama nechikafu chekutenga.
Zvino date zvaraive rabuda idzo mbudzi
dzichishaikwa ndakaona setaizotadzazve
kuenda kumasungiro. Wangu waive munyama
chaiwo ndakatomboita stress pamazuva
iwayo zvino nenhumbu kungofunga chete
makumbo ayibva azvimba. Mama Mapanzure
vaisanonoka kuhakira vaindichityira
nemuzukuru wavo zvakanyanya saka kurwara
kwangu kwaitovapinzawo mumagumbeze.
Mbudzi dzakazowanikwa kwasara three days,
sekuru baba Farai ndivo vakauya nadzo vachiti
vakadzitenga kumapurazi ekuBulawayo
kwavo.
Tichiti zvembudzi zvaita vanhu vaizoenda neni
vaungana akatanga zvake zvekuyemezeka
mwana wekwaMapanzure. Pakangouya
sekuru baba Farai iri Friday ndakadzoka
kuchikoro ndikatanga kurongedza sezvo
taizomuka tichienda kwaMadondo muzuva
raitevera. Mbuya mai Munya vaive vandiudza
vanhu vavaitarisira kuti vaizosvika manheru
saka ndaive nemufaro wekunosangana
nehama dzangu tichifara pamwe. Innoe
akangosvika ndisingatarisire achibva kubasa
kwakuuya kubedroom akawana ndichitovhara
kabag kandaive ndaisa hembe ndichitiwo
ndonopedza weekend kumba kwedu. Akabata
bag ndokuti “and this?” Ndakashaya
zvekupindura ndikaramba ndakamira
ndakatarisa bag kuita sendaive ndabatwa
ndakatakura madrugs. Akavhura akabudisa
zvese zvaivemo apedza akagara pabed akati
“hausi kunosara.”

Ini: nekuda kwei nhai?

Innoe: ndanzwa sekuru vachiti inini handiendi


kureva kuti ndosara ndega pano so
handingazorari futi ndega.

Ini: (ndakamboda kuseka mashoko ake asi


ndakaona serious yaaive akarova ndikaziva
kuti ndikaita zvekutamba hapana chaizobuda)
okay ndongosarawo voenda vanhu vakuru.

Innoe: hanzi pane zvinoitwa zvinoda iwewe


uripo.

Ini: vanonoita ivo vanoenda vacho zvopera.

Ndakafamba kuda kubuda ndaive ndisingadi


hangu zvemashoko naye. Kubva April kusvika
September ndisina kuona amai vangu shuwa
munhu oisa mutemo wekuti ndaifanira
kuvaona mahours zvotopera. Chii
chaishamisira pakusara kwaaiita chaizoda kuti
ndidzoke husiku kuzomurinda? Kumwe
kuyema kwaInnoe kwaindibhowa chero hazvo
zvichinzi murume ndiye first born yako asi
pamwe pacho zvaizonyanya. Akasumuka
akandibata ruoko ndave padoor ndikamuti
andiregedze.

Ini: Innoe please….

Innoe: uri kuda kuendepi? Ukanoudza mama


kuti hauchaendi vanenge vakuda kuziva
chikonzero wakutotsvaka kunditukisa.
Handina kuti hauendi mangwana asi
ndakumbira wani kuti usanosara chete
handigoni babie kugara ndisingakuoni hangu.
(Kuda kunyengerera nhema).

Ini: haungotauri zvaunodazve ini


ndotevedzera chero ndichiona kuti hazviite.
Usati watadza kugara usingandioni kwacho
wambotarisawo here kuti ndakapedzisira
kuona mama rini? Handina here zvandinoda
kutaura navo iwe zvawatomhanyira kuti
ndofanira kudzoka nekukasira? Handisi
kuramba zvauri kutaura asiwo kana
ndisinganorariko better ndigare ndarega
kuenda. Handizokwanisi kunyepa
pavachandibvunza kuti sei ndakudzokera
ndichitadza kurara. Mama nababa
vakandibvunza ndi…

Innoe: okay-okay but wandiomesera babie

Ini: zvimwe zvacho unozonyanya Innoe inga


unomboenda kuSouth-Africa ndichisara wani?

Innoe: (akaseka-seka akashaya zvekutaura


achisumudza mapendekete) you know, you
know….

Ini: wazvionaka kuti reason yacho


yakadhakwa dai watsvaka zvimwe.
Innoe: okay ndabvuma but Sunday unodzoka.

Ini: it depends nekuti ndawana kurisei.

Akakwenya musoro achidhonza masheets kuti


arare. Kutoda kurara zvake asina kurongedza
bag raaive abudisa hembe. Takamboita nguva
tichirwisana nekudhonzerana masheets
kusvika andibata ruoko akandidhonzera
kwaari ndikasvika ndichidonhera pamusoro
pake. Aiseka zvake nekuita chikudo but time
yaakasvika achibva kubasa aionekwa kuti
mufaro wake waive mushoma. Takatamba
kusvika mafeelings atishanyira
zvaisambonetsa kuona nekunzwa izvo nekuti
mafemero chaiwo anenge asiyana neemunhu
ari normal. Maoko aInnoe aive akutambira
kumagadziko angu achipuruzira nekudzvanya-
dzvanya. Akazodarikira kunobata pakati
pemakumbo ndikanyatsozembera pachipfuva
pake. Takarova kashort and quick session
tichiita setaiba kuri kutya kunzwikwa nevanhu
vaive kudining. Taitya zvakare kuti pakaita
anouya kuzotideedza ndipo paya pakuzobuda
vanhu vasina kupfeka zvakakwana. Zvekubira-
bira zvinonaka henyu unosara uchiri kunzwa
kuda chiuno chichitamba chega. Iye Innoe
akazoseka aona imwe tsvina yakudonhera
pasi aive akurumidza kubuda isati yapera.
Achingopedza kupfeka trouser rake padoor
pakaita knock aunt vakadeedzera kuti aidiwa
kudining. Ndakasara ndichiseka nekubwaira-
bwaira maziso ndichifunga kamupondero
kaaive andiita panguva diki yaive yadarika.
Kuzasi kwaive kuchiri kuvhuta ndakatomboisa
ruoko kuti ndinzwe kana chiweti chaive chisiri
kutamba-tamba. Ndaive ndaguta saka mufaro
wakabva wadzoka ndikarongedza hembe
mubag nekupukuta tsvina yedu pasi
ndichiimbirira. Ndakadeedzwawo kudining
ndikawana mbuya mai two nasekuru vauya.
Vanhu vaive vakuronga mafambiro ataizoita
muzuva raitevera. Paive patorongedzerwa
chaiko magrocery ataizosvika takabata koita
zimucheka zihombe rezambia rainzi
rainodarikwa pamusiwo namama vangu
votora vosungira muchiuno ndiko kwaive
kusungirwa kwacho. Ndaive ndisati
ndamboona pazvaiitwa hangu ndaingoita
zvekunzwa. Innoe akaudzwa chikonzero
chaiita kuti asaende nesu asi vakati kana
zvekusungira zvapera aigona kuzotevera hake.
Matauriro aiita baba vanenge vaitofunga
kunoita party sezvavakaita pakuroorwa
kwangu. Innoe akabuda akuenda kunogashira
Ashie aive afona achiti aive asvika kuMbare.
Ndiye aizonobatsirana nasekuru baba two
kuuraya mbudzi. Ndakamuisira message
achangobuda gate ndikati “kuenda kuMbare
kwese uko uchinhuhwa hako usina kugeza.
Usatomboburuka mumota mahwindi anoziva
kunhuhwa kwechimwe nechimwe
unonyadziswa.” Haana kupindura asi
ndakatoita sendaiona face yake
achinyemwerera akatarisa message yangu.
Ndakasekererawo ndakatarisa foni
ndikabatwa bendekete nambuya mai two
vaive vakuoneka kuti vadzokere kumba
kwavo.
Mufaro wandaive nawo waisatsanangurika
ndaitoita semwana avimbiswa kunokwira
bhazi kekutanga muupenyu hwake. Ndaive
ndarasa tariro yekuti ndaizoona mama vangu
zvakare sezvo mwedzi yacho yaive yoramba
ichingoirikidzana ichienda. Mufaro wacho
waive wakawandisa ndaitozozvidzora
ndakunyara kuti pamwe mama Mapanzure
vaizoona sekuti ndaida mama Madondo
kudarika ivo. Vana amai vangu ava ndaivada
zvakafanana chaitoshaikwa mukana chete
wekuti ndigare navo pamwe chete. Innoe
aingoita zvake zvekuyema ari kuroom kwedu
kudiwa kwacho kwaizonyanya munhu kutadza
kudya nekuda kwekuti aive anzi aisaenda
nesu kumasungiro. Ashie ndiko kwaaive
achitandadzana nasekuru vake ikoko. Time
yandakaenda kunorara ndiyo yaakabuda
akuenda kuroom kwake. Ndakazoseka
ndakuudzwa naInnoe kuti aitaura zvekuti aida
mbuya vaya vadiki munin’ina wambuya mai
two.

Ini: ko mama vange vachiti ari kufanira


kuenda kunodzidza kuna mama vake wani
kutanga kwaJanuary?

Innoe: hanzi ndoda kusiya ndabatira


paanopedza kuuniversity otouya achiroora.

Ini: zvaanenge ari serious nhai?


Innoe: ndatoona kudaro hanzi ndomuda
musikana uya kana zvichiita mondiperekedza
kumusha kunomuona.

Ini: mbuya Loveness vanodzidza


muZvishabane handizivi hangu kuti chikoro
chavo chinonzi ani.

Innoe: (akaseka) iye haazivi kana zita ravo


kunongonzi musikana uya. Ndabva
ndatoshuvira kuti dai ndiri ini hangu.
Ndainakirwa nekuoma musoro kwako
uchiramba-ramba nhema mumoyo uchindida
hako.

Ini: ndakakunzwira tsitsi chete nekuti waizoita


sewakuda kuchema.

Nyaya yaAshie handina kumboitora serious


zvangu makambozvionepi zvekuti mukomana
anoita rudo rwekubatira. Kuchikoro
kwaaienda ainoita pamwe four to five years
ozotsvaka basa` ounganidza mari yekuroora
ndiani aizomirira izvozvo? Hamheno kana
zvaizonzi vachaita nyama imwe taingomirira
nguva yacho uye mbuya Loveness havasi
vaitove form two here vaizivei nezverudo
mwana mudiki akadaro?

End of chapter 36
Love you guys
CHAPTER 37
*Innocent*

Handifungi kuti pane akamboudza Purity


zvekuti mbuya mai Natie vaive vadarika
nekumba vachienda kumusha kwavo. Ini
ndakavarairwa ndikatadza kumuudza nekuda
kwekutsamwa kwandaive ndaita ndichida kuti
asanosara kumba kwavo. Ndaizvinyepera kuti
ukaroora mukadzi mudikisa kwauri
unorerukirwa pakuti unomuudza zvekuita
achitevedzera. Purity akatondiratidza kuti aive
munhu akanyarara zvake but aisada
kuvhiringidzwa. Akandirambira ndikapusa
nenguva diki-diki apa aitotaura zvaanoda
zvake hanzi “kana ndisingasari better ndirege
kuenda kwacho.” Dai zvakapinda munzeve
dzamai Innoe ndairohwa chete nekuti vaive
vambotaura zvekuti Purity aifanira kuwana
nguva namai vake. Vaingodaro zvavo
nekusaziva kuti vaiomesera ini mwana wavo.
Kamuroora kavo kainaka mhani vaive vakuda
kuzondituma kuita sendarasika kutaura
ndovaudza ini vazive. Ndakambonzwa vamwe
vachiti mukadzi ane nhumbu anonaka so pese
pataiita bonde ndaidzikisa pfungwa kuti
zvandainzwa zvacho zvienderane
nezvandakanzwa izvozvo. Kunakirwa kunobva
pakuti iwe unobvuma here kuti vakadzi
vanonaka ukangotiwo havanake unonzwa
sekuti ichokwadi. Chandainyanya kuda zvangu
pana Purity ndechekuti chero zvangu
ndaimbomutadzira zvandaiona ndega
aikurumidza kundiregerera totoenderera
mberi neupenyu hwedu. Ipapa
kakatondidamburisa zvinhu ndikasara
ndichinzwa mabhora achinyerekedza. Vanhu
vaive vakutitadzisa kufara isu nekupanana
chionekedzo ungati vaisaziva ipapa kuti Purity
ainosara kumba kwavo. Zvimwe zvacho
zvaindipa kusada kusiyana naPurity
zvaitonyadzisa kutaura pakazara vanhu nekuti
ndaigona kusekwa. Ndaive nepfungwa dziya
dzekuti mukadzi akaenda kumba kwavo
haanodzoki. Ndaifunga kuti aigona kusvika
ofunga zvese zvaunenge wakambomutadzira
otoona kuti better kusiya imba pachiri pedyo.
Nemadiro andaiita Purity kana aizofunga
kundisiya ndaifa hangu. Izvo zvembudzi izvi
zvaiitwa hazvo asi ini ndaive ndakunonokerwa
nekubata mwana wangu. Kungofunga mwana
kwaindipa kurohwa nehana ndaiona sendaive
ndaita chishamiso chikuru panyika. Idzi
indangariro dzakandiperekedza kuMbare
kwandaienda kunogashira Ashie. Aive auya
achizobatanidzirwa pakuendesa mbudzi zvake
but nyaya hombe yaaive afambira yaive yekuti
agadzirise mapaper ake ekuenda kunodzidza
kuAmerica kuvabereki vake. Ndaisaziva kuti
aida kunoita degree rei asi pakabuda
maresults ake aive akapasser zvakanaka.
Taitoverenga kuti aive aita gap years nekuti
akanga anyora A’level mugore raive rapfuura.
Mazuva akanga vana mama vake vari
muZimbabwe vachifambira zvemuchato
wangu vaiti ndipo paakaturner nineteen years
havana kutomboita birthday party mukana
wacho vakaushaya. Handina kumbogarisa
kuMbare ndakawana aburuka so
pandakamufonera ndichida kunzwa kuti aiuya
nebhazi ripi akadaira achiti aive atondiona.
Ndakamuyeva achifambisa kuuya kwandaive
ndakaparker mota ndikataura ndega kuti
“ukaona wangu mwana akasvika apa
ndinenge ndakuzvirova chipfuva.” Haufaniri
kungofarira mimba chete kana uri baba
vakakwana unofanira kuziva kuti pane
zvakawanda zvinoda kuitirwa mwana kana
ave panyika. Akandikwazisa nevoice
rekuvhundutsira ndikaseka hangu ndichiti
“ndiwe here Ashie wakutoita noise
usazonditorera mukadzi wangu handikuoni
mushe iwe?” Akaseka-seka zvake achitoisa
bag mumota akauya kuzogara mberi
ndokundikwazisa zvakare. Ndakabva
ndichitaura naye nyaya dzekuchikoro achitoti
zvese zvaive zvave bhoo mapaper ake chete
aaida kuti dad vamugadzirisire ndiwo aive
amirirwa. Aizoenda kutanga kwaJanuary
nekuti muna December vana amai vake
vaifanira kuuya kumusha. Aiti pane munin’ina
wagogo vake vanova amai vamai vake vaive
vashaika saka vaitofanira kuuya kuzobata
maoko uye ndipo paizoitwa nyaradzo. Isu
hatina kumbonzwa nezverufu rwacho kuda
vakaona sekuti rwaive rwekure. Takasvika
kumba ndikatadza kugara mudining nevamwe
ndaingove nemamwe mazipfungwa
aindinetsa. Ashie akatevera kubedroom
kwangu ndikambobhowekana kuti
nekutaurisa kwake aigona kuzonditadzisa
kuronga kwandaiita mumusoro mangu.
Zvairongwa zvacho ini ndaipenga chete ipapa
ndaitoti ndikatevera kwana Purity
ndainotsvaka nzira dzekuti asasara ndomutora
todzoka tese kumba. Ndaimbofunga futi kuti
dai ndakatsvaka kacamera kana
chekurecorder chandaizoisa paari asingazive
kuitira kuti ndigonzwa zvaaizotaura kuna mai
vake. Semukwasha hapana paungashuvira
kuwanikwa uri kuwrong side rekwaunenge
wakaroorera. Pamwe aizovaudza nyaya
dzepese paaimbochema ndotosara ndakunzi
ndaive abusive.
Ashie paakapinda akatanga nekukwenya-
kwenya musoro waive wagerwa zvakanaka
iwoyo. Waitoonekwa kuti akagerwa achiuya
uye aigona kupfeka zvake ndakabva ndamuti
“machenero ako aya muzukuru wangu
ucharwisanisa vasikana iwe.”

Ashie: (achigara pasi) vanorwira mahara.

Ini: usandiudza kuti unotya vasikana.

Ashie: handitye zvangu but pane wandakaona


(achichinja magariro) iyeyeka sekuru akandida
haa ndapinda machena.

Ini: (ndakaseka) wait-wait…

Ashie: sekuru ndiri serious kani mirai kuseka


ndinotoda kuti mundibatsire kuti
ndingamuona sei.

Ini: asi ndomuziva musikana wacho?

Ashie: ehe momuziva.

Ini: wanyepa ipapo ini handina vanhu


vakawanda vandinoziva uye vanondizivawo
vashoma.

Ashie: momuziva mirai ndikuu…

Ini: anonzi ani uye ndewe kupi?

Ashie: handizivi zita rake asi. (ndakada


kumudimbudzira akandishaisa mukana).
Anenge munin’ina wambuya mai two kana
ndisingakanise nekuti vakafanana uye
vaifamba vese pamuchato wenyu paya.
Takaperekedza muchato wenyu naye asi aive
partner yasekuru vaya vamaiti amai vavo
munin’ina wambuya mai Farai.

Ini: (aitsanangura zvese izvi ini ndichiseka


zvakangondiitira fun). Unoda musikana
wausingazive chero zita rake mupfanha
usandirwarise nekuseka iwe.

Ashie: but kule kune mutemo here wekuti


unofanira kunyenga munhu waunoziva chete?
Ndosaka ndati mondibatsira ndizive zita rake
nekwaanowanikwa kana kunditsvakira phone
number yake.

Ini: mbuya vaya vachiri mwana mudiki


ndofunga vari kuita form two kana form
three. Iwe wakuenda kuuniversity uye kunze
kwenyika unoona sekuti distance relationship
inoshanda here? Besides izvozvo haa
nambuya mai two shaar ungandivengese
havambobvumi kundipa number
dzemunin’ina wavo havadi zvinomukanganisa
chikoro.

Ashie: but handisi kuda kumutambisa sekuru


chandirikuda kuti asare achiziva kuti ndiriko.
Pandinenge ndiri kuchikoro ndiwo mukana
wedu wekuti tikure then pandinodzoka tave
vanhu vakuru takuronga zvemberi.

Pakuronga zvemberi apo ndakaseka


ndikakava-kava makumbo nekunakirwa.
Ndofunga vanhu vaitinzwa tichiseka kudai
vaitonzwira moyo kuda kuziva zvaitinakidza.
Matauriro ake zvake airatidza kuti aive serious
but zera racho zvaingozoita semajokes.
Mbuya Loveness vaionekwa kuti vaive vasati
vatanga zvemisikanzwa. Musikana akuziva
zvakawanda haarase kana akasvika pane
vanhurume haakwanise kugarisika.
Akazonetsa Ashie achiti ndimuudze zita
ndikaramba ndipo pandakatora mukana
wekuti ndimuudzewo mashoko andakaona
sekuti aigona kumudzikamisa.

Ini: zvauri kuita nezvauri kutaura zviri normal


muzukuru asi for now chimbokanganwa
zverelationship iri serious. Unovada mbuya
vaya sekutaura kwako chero ini ndazviona kuti
uri pachokwadi. Dambudziko manje uri
kuenda kunze kwenyika kunova kune miyedzo
yakawandisa kudarika yaunofungira kuti
wakambosangana nayo kuno. Vakadzi
varungu vakawanda vanoda varume vatema
zvikonzero zvavo zvakawandisa
handingakuudzi hako uchiri mwana mudiki.
Manje vanhu vatema vanotoona sekuti
vabudirira kana vadanana nevarungu asi
manje anenge ada iwe chete kureva kuti
family yako wotokanganwa nezvayo. Kunewo
vasikana vanobva kuno kuZimbabwe
vauchanosangana navo pamwe modanana
mosvika pakupanana nhumbu iwe kuno
wasiya waita mwana wevanhu ndigarire
ndinodzoka. Vakarwadziswa mbuya vaya
unenge wadyara ruvengo pakati pangu
nambuya mai two. Advice yangu ndeyekuti
chengetedza rudo rwako rwaunarwo irworwo
kana uchivada zvechokwadi mbuya vaya
mwari vanozviita vega. Imbovapa mukana
wekuti vakure ndoziva kuti haumbopedzi
degree rako usina kumbodzoka kuno so pakati
ipapo pauchawana mukana wekudzoka
unobva wauya wofambira nyaya dzako.
Akashaya zvekupindura achibva atarisa pasi
but ndakamunzwisisa zvangu rudo chaitove
chirwere chakakura. Ini mazuva andakaona
Purity ndaive ndakupedzera shungu kuvanhu
vaida kutaura neni ipapo ndaipindura rough
chero ndataurwa neni zvakanaka. Manje iye
aive aita bad luck yekuona musikana waaida
nemoyo wese asati asvika paage yekuti
vangaroorana vokwanisa kugara pamwe
chete. Zvaizomunetsa kweupenyu hwese
chero dai aizowana umwe asi pfungwa yekuti
pane waakaona zvikapera zvisati zvatanga
ndiyo yaizoita kuti agare achishungurudzika.
Ndakaedza kutaura naye zvebhora
nezvimwewo zvekubasa kwangu but
madairiro aaiita akandiratidza kuti aive
akungofambisa nguva kuti dzekunorara
dzikwane. Akazobuda pakauya Purity
ndikasara ndichimuudza zvaive zvataurwa
naAshie. Ndaida kunzwa kana aive nenumber
dzambuya Loveness ndimupe Ashie
vataurirane kwacho. Ukaona mwana
akunetseka nepfungwa newewo zvinokubata
kuti pamwe afunga kuti haudi kumubatsira iye
ange atoisa vimbo yake pauri. Mbuya mai two
vaive munhu anonzwisisa zvavo but madairiro
avakaita nyaya yekukumbira mari
kwakamboita mbuya Loveness
zvakandiratidza kuti vaisada zvisina basa
pamunin’ina wavo. Ndaizotaura nasekuru
Nigel kana ndaizodziwanawo ndaimupa Ashie
sesurprise asiwo kana ndaizoshaya
ndaingozvinyarara nekuti kumuudza futi
kwaizosiya chave chikwereti. Purity aive asina
number dzambuya Loveness uye akangoseka
kutoratidza kuti nyaya yacho aingove mafun
oga-oga.
Takarara zvedu zvakanaka umwe wangu aive
nemufaro wakawandisa
ndakatombomunzwira tsitsi kuti pamwe
aingofira mumoyo paairambidzwa kuenda
kunoona mama vake. Pamwe ndizvo
zvaimbomurwarisa nekuzvimba makumbo isu
tichishingisana kuti zvaive normal kumunhu
ane nhumbu.
Kuseni ndakatadza kuonekana nevaienda
kwaMadondo kutonzwa misodzi ichida
kubuda. Akauya kubedroom Purity akasiya
andikisser ini handina kana kumbosimudza
musoro ndairwadziwa zvakanyanya. Zvese
zvaaida kunoshandisa kumba kwavo aive
arongedza uye mari ndakamupa ndichiitira
kuti kana pane zvaaizoda kutenga
asatambure. Ainosangana nana sisi vake ikoko
pamwe paigona kunzi vakwasha vabvise mari
owanikwa iye aive aunganirwa asina kana
cent.
Akazonditumira message vatove munzira
hanzi “Innoe asi uri kufunga kuti handinodzoki
here? Wakundipa pfungwa dzakawanda-
wanda zvakuita sekuti pandinokuudza kuti
ndokuda pamwe ndenge ndichinyepa.
Haundivimbe here, unotyei kungoparadzana
neni zuva rimwe and wakaudzwa kuti
unozotevera kana tapedza zvemasungiro
wani?” Aitaura chokwadi asi yaisave mhosva
yangu zvaikonzerwa nerudo rwandaive narwo
paari. Handina kumupindura asi ndakawana
simba rekuti ndigadzirire ndigokwanisa
kutevera sekureva kwaakaita. Ndakatora
nguva yangu kutsvaka hembe dzekuzopfeka
dzaiita kuti ndichisvika ambuya vazvione kuti
chokwadi mukwasha auya. Hembe
ndakadziwana ndikaisa pabed ndokumhanya
pamirror kunozvitarisa ndikaona kuti
tundebvu twaive twakuda kukanganisa my
handsome face. Ndakatora shaving machine
ndikapinda mubathroom ndokunicer-nicer
chirebvu changu. Zvese izvi ndaiita
ndichitarisa nguva nekuti ndaida kuzobva
pamba natwo o’clock exactly. Ndaizosvikawo
nemacrates edoro nemadrinks kuti vawane
zvekugashira.
Gadziriro yangu yaifamba zvakanaka uye
sekuru Nigel vaive vambonditumira message
nemapicture vachindiratidza mbudzi
ichiurayiwa. Panguva iyi ndipo pandakaenda
kunogeza asi ndisati ndapedza kugeza
ndakanzwa ndakudeedzwa namukoma
vepanze vachiti kwaive nevaenzi. Handina
wandakambofungira ini sezvo vaenzi vazhinji
vaiuya pamba pedu vaive vana sekuru vangu
nana mbuya vekwaChitimbe chete.
Ndakakumbira ten minutes kuti ndipedze
kugeza ndokuzobuda wanei panze paive
nambuya mai Natie. Ndakavagamuchira
ndichitora mwana vachibva vati “tadzoka
kumusha ndikanzwa kuti baba vaChitimbe vari
kuno ndikati regai ndinovakwazisa pamwe
vanozobva kumasungiro vachitofunga
kudzokera kuBulawayo.” Tisati tapinda
mumba kugate kwakanzwikwa kumira
kwemota pachibva paita knock mukoma
vakamhanya kunovhura. Mbuya mai Natie
vakashamisika vachiona Nashe achipinda
hamheno kuti mota yaaive nayo yaive yani.
Ndakamboda kufungira kuti vaishamisika
nhema mbuya asi ndakazorangarira kuti
pamazuva emuchato wasekuru baba Natie
takambouya naye Nashe ndina sekuru Farai
nevamwe vasikana vaviri vaiperekedza
muchato pataizotora imwe mota yataida kupa
vakomana vaya vaive vabva kuSouth-Africa
kuti vawane chekufambisa.
Akaburuka achisekerera ndokuti “aunt ndange
ndati ndimirirei wani tiuye tese
ndakakubatirai mwana?”

Mai Natie: ndataura wani kuti ndiri


pakumhanya uye mwana ange ane seat rake
handina kumbotambura naye.

Nashe: ndanyepera mama kuti ndiri kuenda


pamashops vachibva vandipa mota yavo.

Mai Natie: asi pane zvaitika kumba here dai


mangofona?

Nashe: imbomirai aunt ndimbokwazisa


vamwe mabva manditangirira nemibvunzo
veduwe ndozonyara ini.

Akasvika pandiri ndikastretcher ruoko kuti


ndimukwazise asi akaita seaisaona ndokuuya
kuzondimbundira. Aingoseka-seka zvikanzi
“hesi muzaya longtime?”

Ini: makadii?

Nashe: why kuve cold-cold kudai wasara


uchivharira munhu here paenda chimoko
kunosungirwa?

Mai Natie: zvabvepi izvozvo?

Nashe: kutamba zvangu, but wakaoma


wakatadzawo kungopa mwana wevanhu one
year chete yekumbojaira marriage wabva
watomitisa.

Mai Natie: ko kana munhu aroorwa handiti


vakutokudza mhuri?

Ndakasara padiki kumubvunza kuti aive


aroorwa here? Aitove muyedzo mukuru
nekuti kana vana mama vaizodzoka vachiwana
aripo auya futi nambuya mai Natie mashoko
aitosimuka. Ivo mbuya vakaratidza kubatikana
nekusvika kwaakaita asi sehama yavo zvaisaita
futi kuti vamudzinge. Takanogara mudining
achitaura iye Nashe zvake zvekuita seaiziva
zvese zveupenyu. Mbuya mai Natie
vakazochinja nyaya vachiti “tabva kumusha
nhasi kuseni dai tisina kumboenda
kuchipatara kwatanosiya baba pamwe ndaidei
ndawana vekumasungiro vasati vaenda.”

Ini: vabva pano kumapast nine pamwe maidei


mavawana chokwadi.

Mai Natie: ndatoti regai ndimhanye


ndizosvitsa shoko nekuti vanhu vaitaura kuti
vaida kuzoenda kunovaona. Zvaitoita nyore
kuvaonera pedyo pane kuzotevera kufarm.

Ini: ichokwadi mbuya mange magona henyu


saka hanzi chii chiri kunyanya kurwadza?

Mai Natie: iye zvino vanoti vave nani but


semunhu akanyanya kurwara ganda ravo
rinotoonekwa kuti ropa rinogona rave shoma
mumuviri. Ikokowo kuchipatara ndizvo
zvavataura asi apa vachawedzerwa ropa
nekutariswa kuti hapana pamwe pane
problem here.

Ini: okay tongonamata kuti vapore zvavo, ko


sekuru vangu varisei zvavo.

Mai Natie: mukoma Thomas here vari right


zvavo tauya navo.

Nashe: (akatanga aseka) asi ichokwadi here


kuti havana chitupa nhai mai Natie?
Mai Natie: ndizvo zvaungabve waseka here?
Chitupa chavo chakarasika inga vatobudisa
birth certificate ravo hombe wani tikaona
number dzavo dzechitupa.

Nashe: ndange ndisina kunzwisisa


ndangofunga kuti pamwe vakanga varega
kuvatoresa vachiti sezvo vaimbopenga.

Mai Natie: vaimbopengaka asi vakapora saka


pane chinonakidza here pazviri? Ummm
Nashe hako tongoona newe usina
matambudziko unowana simba rekuseka
vamwe. Ndiwe wakatsamwa nezuro
wabvunzwa nasisi mai Proe kuti unoroorwa
rini ukati varume vanonhongwa here kureva
kuti wakamirira nguva yamwari saka usaseke
vamwe vanenge vari mudambudziko.

Vakasara vopedza kutaura atarisa pasi


nenyadzi. Ndakaona sekuti mbuya vaive
vaneta nematauriro ake nekuti vakapindura
zvasekuru Thomas vachifemereka kuratidza
kunzwa hasha. Kubva ipapo akanga adzikama
chero madrinks andakavapa kuti vasanonwa
akaramba. Chaive chasara kuti asimuke aende
ndaitoshaya kuti mbuya ndovaudza sei
vamutaurire zvimwe zvinobhowa aende.
Pachokwadi chaipo Nashe aive auya ane
chinangwa kuda aifunga kuti ndaizotaura naye
mashoko erudo. Hamheno kuti sei vakadzi
vachifunga kuti kana murume aroora zvave
nyore kwaari kudzokera achinodanana
nevamwe vakadzi kunze uko? Aifanira
kungogamuchira kuti chikonzera chakaita
ndisamuone pakutanga ndicho chaingoita kuti
chero taizosangana kudenga chaiko
ndingomusiya futi.
Nguva dzakanobata pana four varipo
ndikatoona kuti paida plan yakasimba yekuti
vaende havo vese ndaizosvitsa shoko
rambuya inini pane kuti vawanikwe varipo
futi. Ndakadaira foni nhema ndikati “izvezvi
here sekuru manje kana muchiti zvinhu
zvacho zvakamirirwa handizononoki here
nekuti ndiri kumba?” Ndakabva paphone
ndikaudza mbuya kuti pane zvimwe zvinhu
zvekumasungiro zvaive zvasara saka ndaive
ndafonerwa kuti ndiende nazvo. Vakabva
vaoneka vachiti havangasari pamba
pemukwasha vega ndiko kuenda kwavakaita.
Ndakasara ndichinzwa kuremerwa kuti kana
mbuya vaizoziva kuti ndainyepaka pamwe
vaizonditsamwira. Ndaive ndakamira
pakaoma kana vaizondibvunza ndaivaudza
chokwadi kuti nyaya yaNashe yaigona
kuvavengesa kunyanya ivo nefamily yese
nekuti vaizozvitora sekuti ndivo vaive vauya
naye. Ndakafemerwa kwazvo nekuti pasina
kana twenty minutes vaenda team rekuenda
kwaMadondo rakabva rasvika. Vakadzoka
vese kunze kwaPurity aive agara ataura kuti
aizorara kumba kwavo. Vakataura mafambiro
avakaita vakapedza ndokuzobvunza kuti chii
chakanditadzisa kutevera. Ndakavaudza
zvekuuya kwambuya mai Natie chete handina
kumbotaura zvaNashe. Vakawirirana kuti
vaizomuka vachinoona sekuru uye vakatenda
kuti mai Natie vaive vagona vakauyisa shoko.
Wangu muzukuru manje aive akagara
akanyarara achipota achibirira kutarisa mbuya
mai two. Vaive nekamwe kakuda kufanana
kavaive nako nemunin’ina wavo ndofunga
Ashie aitombosvika kure nadzo pfungwa.
Ndakamubvisa mundangariro nekumubvunza
kuti paruoko paaive akasunga aive aita sei.

Mama: (vachiseka) asi hauna kuona zvakaita


mhino yasekuru vako baba two vatungwa
nembudzi. Uyu aramba kutaura zvaitika asi
ndofunga azvicheka nekuti tangozoona
oyerera ropa.

Sekuru Nigel ndaive ndisina kumbovatarisisa


asi pandakaona pavaive vakuvara ndakaseka.

Nigel: vanhu vaya vane utsinye tabhadhariswa


mari hanzi nyama yasarira padehwe.

Ini: ko madii kutsvaka vanocheka


movabhadhara?

Nigel: varamba shaar hanzi toda kudya


mbudzi yaurayiwa nevakwasha. Ndototenda
Ashie ndiye aita zvese ini ndange ndakuda
kutiza.
Baba Farai: asi ndakambozvitaura kuti
vakomana dzidzai kuvhiya mbudzi nhasi
tanyara kani.

Dad: pachivanhu chedu chekare vakuru


vaiona kuti unokwanisa kuchengeta mwana
wavo here kupfurikidza nemabatiro aunoita
mabasa epamusha.

Nigel: kareka, vanofanira kuzvinzwisisa


izvozvo? Ini ndatotadza kuidya mbudzi yacho
yange ichinhuhwa.

Dad nasekuru baba Farai vakaseka vakarovana


maoko zvakatondishamisa kuti mama
vataiziva nekuseka zvakanyanya vakatora glass
raive pedyo vakanwa mvura.

Nigel: chii change chichinhuhwa kuita semazai


akaora. (vakasumuka vakanopfira panze).

Mama: (sekuru Nigel pavakadzoka) mbudzi


dzosiyana mwana wehanzvadzi yangu idzi
rume dzikakura dzinotanga kunhuhwa asi
hadzi hadzidaro. Zvapera handiti tatodaritsa
program yatange tafambira here? (vachichinja
nyaya) aaa mwana waMasiziba mudiki
zvaakura nhaimi apa kugwinya kani.

Mai two: mwana anongononoka iri nhumbu


vatowana shamwari yekutamba nayo mbuya
vacho.

Mama: taurai henyu zvimwe zvacho zvongoda


kuzvitarisa muside rezvazvakanakira.

Vakangozotandara zvishoma vanhu


vachigadzirirwa chikafu pavakadya vakabva
vaenda. Vachingobuda ndakafonera Purity
hatina zvakawanda zvatakataura hedu aiti aive
akutondifunga. Haana kundibvunza
zvekusatevera kwandakaita aive akutoda
kutaura zvinonyadzisira apa Ashie aive pedyo
so ndakadimbura call ndichiti ndaizotaura
naye nemamessage.

Ini: (ndichidenha Ashie) wambotengera


maiguru drink here iwe?

Ashie: eish ndaizvinyepera paya kuti


ndichaedza kukanganwa nezvaLoveness.

Ini: waudzwa nani zita rake?

Ashie: nasisi vake ndavapinda neyekuti face


yenyu haisi itsva ndimi here maiita masteps
asi iyeye aive mudiki mhani makada kufanana
naye. Vakasununguka zvavo vatoseka vakati
muzukuru ungandifananidza naLoveness
mwana mudiki uya here munin’ina wangu
usandiudza kuti takafanana.

Ini: ukati chii manje?

Ashie: vanozivana nana mama vangu


vandiudza zvekumboenda kuAmerica
kwavakaita. Pandavaudza kuti ndiri kuzoenda
muna January vati nditange ndavaona kana
mazuva acho asvika vanoda kundibatisa
zvinhu zvamama. Manje ndavaudza kuti
mama vanouya muna December vakati
zvakanaka vanozovapa vega.

Aitofara nekuona kwaakaita mbuya mai two


hamhenowo kuti aive akufunga kuenda mberi
nenyaya yake sei.
Purity ndakazotaura naye takurara achiyema
ndikanzwa nekuudzwa kuti nditaure
nemwana. Ndakatorara late ndakumbira
kuzorora ndichiti zvimwe taizotaura auya.
Ko ndaizivei zvangu apa ndipo
paakazondibhowa kusvika pekupedzisira.
Takamuka kuseni kweSunday vana mama
nadad vakabuda kuti vanobatana nasekuru
baba Farai kuenda kunoona baba vambuya
mai Natie. Vakawanda vabudiswa kuchipatara
ndokutevera kumba zvakaita kuti vaswereko
ndokuzodzoka manheru. Ini kubva kuseni
handina kukwanisa kutaura naPurity foni yake
yaienda kuvoicemail. Mama vakadzoka
vachinetseka kuti vaive vasina kumbotaura
naye ini ndikavaudzawo kuti ndaitoda
kuvabvunza kuti aive ambovaisira message
here. Kwave kutanga kusviba ndipo paakaunza
message hanzi “handiuyi ndichamukira kuseni
ndodarika ndichitora bag rangu ndichienda
kuchikoro.” Akatadza kufona kuti anzwe
mhinduro yangu` munhu kungoronga zvaaida
iye asina kutanga andiudza. Handina
kumupindura ndakadzima foni
ndikazvinyararira. Time dzataive takudya
akafonera mama vakamboseka-seka naye
achibva akumbira kutaura neni. Ndakavaudza
kuti message yake ndaive ndaiona ndichibva
ndasimuka ndikaenda kuroom kwangu ndisina
kupedza kudya. Ndofunga vakashamisika dad
namama nezvandakaita asi zvaive zvisina basa
navo ndini ndaiziva kurwadziwa kwandaiita.

End of chapter 37

Love you guys


CHAPTER 38
*Purity*

Zvandaidealer nepwere nhai ini ndichifunga


kuti ndaive ndaroorwa to a full grown up
man. Innoe aida kundishungurudza
muchihwande hakuna rudo runonzi
rwakasimba kana munhu achida kukubvisa
pavabereki vako zvachose. Ndaifanira
kungwara uye ndotoshinga chaiko nekuti
ndaiona dambudziko racho richikura.
Akanzwisisa panguva yandakamuudza
zvandaifunga asi kuseni akamuka futi achiita
semwana avimbiswa kurohwa kana vaenzi
vaenda. Ndaizviitwaka namama Madondo so
unenge wapusa uchinamata mumoyo kuti dai
vaenzi vagara pamusha zvachose. Zvaaiita
kuseni ndaingozviona asi handina kubvunza
chandaida kuenda kunosangana namai vangu.
Ndaive ndisina zvekutaura navo sekuti
kwaMapanzure handina kana dambudziko
randakaona zvangu. Izvi zvaInnoe
zveruchengera ndaizozvigadzirisa naiye tiri
vaviri zvaisada hama dzangu izvi. Chandaigona
kunotaura namama vangu pamusoro
pemusha wekwaMapanzure kwaitove
kuvatsanangurira magariro akanaka andaive
ndakaita. Ndaidiwa more than kudiwa
kwamungafungidzira kubva kuna baba chaivo
ndini ndaitovafinyamira asi havana kurasa
tariro pandiri. Mama ndingataureiko nezvavo
nyemwerero yavo haina kubvira yachinja
kubva day ravakaziva kuti ndaidanana
nemwana wavo ndisati ndatomboroorwa.
Taigara zvakanaka isu chero pandairwara
vaiita sevachasiya bedroom ravo kuti vazove
neni husiku vachigutsikana kuti ndaive
mutano. Innoe aindida dambudziko ndirori
rekuti rudo rwake rwaipfachuka uye
zvakasangana hazvo nekuyema.
Dzakadungamidzana mota dzedu kuseni
tichitungamirirwa neyaive ina sekuru baba
two naAshie vaive vakatakura mbudzi. Ini
ndaive nambuya mai two handina hangu kuita
makuhwa enyaya dzandaive ndanzwa naInnoe
dzaAshie. Baba, mama nasekuru baba Farai
vaive pamashure pedu ndivo zvakare vaive
vakatakura grocery. Ndaiita ndichirohwa
nehana semunhu aisaziva kuti masungiro
acho aiitwa sei. Ndaifunga kuti pane
zvainosvika zvichiitwa pandiri sekuongorora
dumbu kana kutariswa sezvataiitwa
kuchipatara zviya. Zvaive zvakareruka kwazvo
henyu takangoti tichiburuka mumota tisati
tamhoresana nevanhu vaive mumba sekuru
baba Munya vakauya vakanditi ndinoisa
mucheka pamusiwo wedining. Mama
vakabuda vachiita zvekucharika mucheka uya
vakautora ndokusungira muchiuno vachibva
vauya pandaive ndakamira tikambundirana.
Vaive vasimba mama nhai misodzi yemufaro
yakambozara mumaziso asi ndakayeuka
zvaive zvaiitika musi wandakachema ndanzwa
kuti zuva remasungiro rasebedzwa mberi.
Mama Mapanzure vakashungurudzika
ndofunga vaifunga kuti ndaichema kuti ndaive
ndisina kugara zvakanaka pamba pavo.
Pfungwa iyoyi yakaomesa misodzi yese ukave
mufaro kani ndichikwazisana nehama dzangu,
vana sisi, vana mama vese vakauya kotizve
vana baba vaivepo vaviri vekuVic-falls
nevahombe ava vepakati vakatumira mama
chete. Mbudzi dzakapiwa kuvaridzi vadzo
tichibva tanzi titange tadya kudya
kwemangwanani vakwasha vozouraya
mbudzi. Pamagrocery atakaenda nawo paive
nemadrinks nedoro so vanhu vaidya zvavaida
nekunwa. Paida aivepo zvake iko kusimba,
kunaka nekuchena ndakamudemba Jona kuti
aimboziva here mukadzi waaishanira aitove
musvinu-svinu kudai? Better kuti aive kujeri
dai aive kunze taizonzwa kuti apara mhosva
nekuda kwekurwadziwa apa munhu anenge
achikanganwa kuti ndiye anenge akatadza
kubata mwana wevanhu zvakanaka.
Mbuya mai Munya vaive vazobvumiwa havo
neHarare waitoramba kuti vaive nemuroora
nevakwasha. Vaimboti havarukwi musoro
vachida kuzviita chembere manje apa dhuku
raive rakafuta kuchionekwa mabvudzi aisarira
kunze. Mwana waPaida aive akura veduwe
aitodzidzira kumira. Aida mama zvisingaite isu
takagumira mukumhoreswa akakambaira
achinoti kwati pana mbuya vake. Vana sisi
vangu kwakauya vaviri vakuru chete vamwe
vaya vekuVic-falls taiziva zvakaitika pavari.
Kubara neoperation kwaitora nguva kuti
munhu adzokedzane nyama dzake dzemuviri.
Takave nenguva yakanaka chose vanhu
vainonokerwa nekudzokera kwevanhu
vekwaMapanzure kuti vawane mukana
wekundibvunza zvavaida kuziva. Ivo
vekwaMapanzure vaingonzwa kusundwa
nekuitira mama vangu manyemwe. Pakadyiwa
nekunwiwa vanhu vachifara ndipo
pandakagutsikana neshoko riya rekuti “vana
ndivo vanyaradzi vevabereku vavo kana
vavagonera.” Vana vakaita zvakaipa vabereki
vanobatikana zvakanyanya kutopedzisira
vatorana nezvirwere zvemoyo. Vakazoenda
vekwaMapanzure zvavo after tamboungana
kukaitwa munamato nekutenda zvakare
kuuya kwaive taita. Mama Mapanzure
vakauya vakandimbundira zvikanzi “moyo
wotorwadza kuparadzana nemhandara
yangu.” Vakawanda vakayemura rudo rwavo
vachingovashuvira zvakanaka zvoga nekupiwa
makore akawanda ekurarama panyika. Tasara
munhu wandakatanga kubvunza nditete kuti
sei vaive vasina kuuya kumasungiro angu.
Mama vakatanga vaseka ndokuti “kubva
mazuva atakamborongedzera zvemasungiro
izvi ndaitaura navo. Vakatombopopota kuti
vana havandiremekedzi ndikavati ayewa imi
ndimi mhandara yedu hombe mukaramwa
vadiki ava ndiani achazomira panzvimbo
yenyu. Vakaoma musoro zvavo asi
ndakashingirira saamai basa redu nderekuti
mubatane nekuti hapana pandinozochinja
kuve baba venyu pano. Vakabvuma zvikanzi
ndoda mari yekuuyisa uye handina chikafu
chekusiira vana. Panyaya yechikafu
ndakanotumira kuMbare nebhazi ndaona kuti
ndikaendesa mari inogona kudyiwa. Mari
ndakavati ndaizovapa husiku hwavaizomuka
vachiuya kuno. Vakandishamisa tete ndaive
ndakuisirwa maplease call everyday ndofona
voti vaingoda kunzwa kuti tirisei kuno. Paida
aitaurwa naye vachimutsiura nekuraira
handidi kunyepa ndakanzwa kusununguka
kuti shuwa tete vakura dai zvaramba
zvakadaro. Pakazobuda date ranhasi iri
ndakavaisira mari neChina ndikafona
ikadairwa nemwana asi aitaura achinzwikwa
kuti aiita zvekuudzirwa. Akangoti yasvika mari
mama vaiona asi pari zvino vabuda. Kuzoedza
kufona zvakare zero-zero havana kuzobatika
kusvika nhasi uno.”

Ini: pamwe vakaita accident vachiuya kuno.

Mama: ipo pawhatsapp yavo pachiratidza kuti


vanomboenda online here plus zvavanonyora
zvacho zvakandiratidza kuti vaingoda mari
saka handimbovabvunzi zvangu ndovarega
vakadaro.

Paitoda kuita munamato wakasimba


wekuramba mweya wekufanana hunhu
nezviito zvakashata kudai. Manje hapana
wavaive vakaurisa basa rakafamba zvakanaka
kuda vaifunga kuti zvaizomiswa nekusauya
kwavo. Chimwezve vaive vatotsindira mwena
waibuda ishwa kana vaizowirwa
nedambudziko riri serious chairo vaikwanisa
here kuzokumbira zvakare kuna mama?
Vakangoita makaro asina basa pamwe
vaitobva nezvinhu zvakawanda futi
zvekunoshandisa kumusha kwavo. Mama
vairatidza kusabatikana nazvo zvavo nyaya
dzaitovanakidza ndedzandaibvunzwa
nambuya mai Munya nana sisi vangu. Vanhu
kumisa nzeve kuda kunzwa zvinyadzi
zvemubedroom manje ndaingoseka ini kana
vabvunza ndaigutsurira kana kudzungudza
musoro. Ndaive ndichiri kunyara
kutsanangura hamheno kana ndaizojaira
sezvaiitwa nana sisi vangu. Sekuru baba
Munya ndakangovaona pataive tichangosvika
vasati vanwa doro. Mbuya vaitoti “nhasi
vazviwanirapo vanga vanzwa nenyota
yedoro.” Vaivarambidza kunwa hamheno kuti
zvaive zvakanaka here kuti murume
arambidzwe kunwa doro ari iye futi aishanda?
Ndivo vaitiraira kuti timise dzimba asi pane
iyiwo ndakabatikana maybe inyaya yekuti
zvaiitirwa sekuru vangu.
Manheru takatandara chaizvo
zvekuonekedzana sezvo vaenzi vese vaimuka
vachidzokera. Pakangorongwa kuti kana
mazuva angu ekuzoenda kunogarira kuna
mama akwana vana sisi vaizouya nambuya
kuzonditora kwaMapanzure. Paive pasisina
zvimwe zvekuunganira chero kuendeswa
kumurume after ndapona zvaizoitwa futi nana
mbuya. Hamheno kuti Innoe aizobvuma here
kuti ndigare kumba kwedu. Taizozviona
mazuva acho asvika handina kutombozvitaura
kumba kuti aive amboti haazvide. Vanhu
vakamuka vachienda kuseni-seni tikasara
zvedu tiri six ndichiverenga nasekuru
vaitotadza kumuka nekuda kwekurara
vakadhakwa kwavaive vaita. Amai vairera
mwana waPaida vaisavepo handina kubvunza
hangu kuti vaive vaendepi. Iye Paida
kuzomukira kani achiita basa vaive nenzara
vakaenda vadya ndiye akabika. Kugeza kani
waigona kufunga kuti pane waaiita naye
makwikwi. Kushanda kwaakaita kwambuya
Mai two akakwanisa kuzvitengera midziyo
yake yekushandisa yakaita sebed, wardrobe
netv yaaionera muroom make. Hembe
handicharevi aive adzokera pedu chaipo
patakakudzwa namai Madondo tichipfeka
zvataida uye iri quality. Aitoti mwana wake
aimutengera zvenharo mama vongozoona
apfeka asi vaive vamuti ndivo vaizoitira
muzukuru wavo zvese. Chandakada pana
mama ndechekuti havana kuramba
vakaomerera pakutadza kwakaita Paida.
Pamwe vaidei vakatomushaisa mufaro
nekusvika kwedu vachimuyeuchidza zvese
nekutaura vachifananidzira. Ndakambowana
nguva yekutaura naye masikati pandaive
ndakarara muroom make. Ndaibvunza kuti
kwaive kwave nabamunini here ndaonaka
husmart hwanyanya.

Paida: (akatanga aseka) kwepiko mwana


wamai vangu ndinoti ndikafunga man’a
andakamboita nekuda kwekushaiwa
zvikwanisiro ndinonozorodza pfungwa ndave
mubathroom. Chero kubasa ndinogeza ini
ndaitombofunga kuti pamwe ndakupenga.
(Akaseka futi) asika mwari vandiregerere
upenyu uhuka ndakadzidza zvakawanda.
Takamboenda kune imwe nhamo kwedu
kuEpworth ikoku ini hangu ndakangonzwa
kangoma kurira ndikati mukana wekunodya
chikafu chemahara wamuka. Nhamo yacho
yakaita four days tichidya macabbage asina
mafuta asi zvaive nani nekuti sadza vaibika
rakawanda. Musi wakaendwa kumakuva
takasara tichibika saka pane vamwe Mai
vakandikumbira kuti ndivasukire poto vaida
kubikira vana porridge. Vakandipa zisipo
regreen raipotsa kukwana half yebar vachiti
ndishandise. Ndakavatarisa Mai ivavo ndikati
zvavaive nemiyedzo ini ndaigeza nemvura
chaiyo ndisina mafuta ekuzora. Ndakaisungira
muzit-shirt remusangano randaive
ndakapfeka ndikashooter drama.
(Akamboseka futi asi maziso ake aibuda
misodzi yekurwadziwa) ndakadzinganisa
imbwa yaidya makoko ndikanyepa kuti yaive
yadya sipo.

Neniwo ndakaseka asi misodzi yakabudawo


ukaona munhu osvika pakuba parufu
zvinenge zvakaoma.

Paida: ndakaba hupfu, cabbage, mafuta 2litre


yese pane zvinhu zvakauya nevainzi vakwasha
mahusiku acho akanga avigwa munhu.
Ndikakuudza kuti munhu aive afa wacho
nanhasi handizivi kuti mwana, munhu
mukuru, mukadzi kana murume unoti
ndinonyepa. Nhamo iyi yakaoma hako zvese
izvozvo zvombodzoka mumusoro mangu
ndorarira misodzi muno.

Ini: dzimwe nguva ndiwo mapirwo aunenge


waitwa namwari dai vaisada kuti ubatsirike
waidei wakabatwa.

Paida: kungondishingisa hako semunin’ina


wako asi zvonyadzisa. Chandinomadira
mamemories acho ndechekuti anondipa
simba rekuzviitira nemaoko angu. Mama
vaimboti sezvo pave nemunhu anobatsira
basa ndaifanira kuzorora asi ndakavati basa
tobatsirana kunze kwekuti kana ndisipo chete.

Nyaya dzaPaida dzaipera here waitoona


achiseka apa achitaura zvinorwadza. Pane
yekuiswa nhengo mumuromo aiti Jona
aizobudisa kana aona akutadza kufema. Hanzi
yaisvitswa kuhuro otanga kufambisa chiuno
seyaiswa kunzvimbo yayo uku akabata
musoro kuti isabude. Zvakaoma henyu dzaive
nhoroondo dzinonetsa kuburitsa mumoyo.
Vaya vaiti unogona kuregerera asi
kukanganwa hazviite vaireva chokwadi.
Akasangana neabuse dzese
dzamunofungidzira nekuti hanzi aiti kana abva
kumurova omukwesha chaiko achimurova
kuti achemerere nekubatirira. Ndakaita
kukumbira kuti andipe mukana wekugadzirira
kudzokera kumba kwangu aitoda kudokesa
zuva achingotaura. Pandakapedza kugeza
nekurongedza ndichiti ndifonere mama vaive
vabuda nambuya Mai Munya ndakawana
pafoni pangu pane message kubva kuna
mukoma Allan. Ndaitofunga kuti yaive yabva
kuna Innoe sezvo ndaive ndisina kutaura naye
kubva kuseni. Ndaida kuti tisuwane
pataizoonana kumba zvaingowedzera moto
werudo apa ndaitonzwa kuda kusvika
ndichitombopiwa zvangu ndisati ndagara pasi.
Nyaya yaitaurwa namukoma yakandityisa
pekutanga ndikazoseka ndichienda
kunoratidza Paida. Pandakabvunza mama
vavo kuti sei vasina kuuya kumasungiro vakati
vaive vapedzisira kuvaona musi wavakavaudza
zvekuuya kuHarare vaisatoziva kuti vaigarepi
pese apa. Mukutsanangura kwavo
mumessage vaiti vaigara kumba kwemusikana
wavo uya aive avaudza kuti aive nenhumbu.
Vanenge vaida kuibvisa manje hanzvadzi
dzamai vemusikana dzakaudzwa nemanext
door kuti pane mukomana akugara pamba
pehanzvadzi yavo ndivo vakauya vakavadzinga
vese nemusikana. Vaitove munzira kuuya
kuHarare kuzopotera kuna mama kuti
vagokwanisa kutaurirana nababa vavo
muroora agopinda mumusha. Ndakavaudza
kuti ndaive ndisati ndadzokera
kwaMapanzure vakatoti zvaive zvaita
zvakanaka. Ndiyo nyaya yakanditadzisa
kuenda iyi taive tamirira vaenzi.
Takatozopinda busy kugadzirira kugamuchira
vaenzi ndichitoti kana ndapedza ndozozivisa
Innoe. Nekuvimba mumwe wangu ndakangoti
aizonzwisisa uye ndaizomukira kuseni-seni
ndichienda kumba ndakunogadzirira kuenda
kuchikoro. Shoko iri raive rasvika kumaaround
five zuva rodoka saka patakambogadzirira
zvimwe nguva dzaifamba ndakatozowana
mukana wekutumira message kumasix.
Yakapinda kuna Innoe asi haana kupindura
ndikaedza kumufonera ikaenda kuvoicemail.
Handina kumbobatikana ndakangoti
aizondifonera pamwe foni yaive isina moto.
Ndakambonobika nevamwe ndipo
pandakayeuka kuti mama ndaive ndisina
kuvaudza. Ndakafona vakadaira ndikavati
paive nezvimwe zvaive zvamuka ndaizovaudza
ndauya kuseni. Ndakabvunza kana Innoe
aivepo vakati vakumupa foni akaramba
kugashira zvese ndaizvinzwa zvaitaurika ndipo
pandakabatikana ipapo. Ini ndaive ndatove
neproblem yekuti ndikangofungisisa chete
hana yangu yairova zvine simba. Innoe uyu
aive akuda kundiratidza rimwe side rake
raitoda kundishungurudza. Ndakangozove
pane vamwe zvepanyama chete asi mweya
wainetseka. Ndakaenda kunorara vaenzi
vasati vasvika ndikazoita zvekumutswa
takunotora muroora kugate. Aive mwana
mudiki veduwe apa kuuya akapfeka kapombi
kechitrouser kumusoro handina kuona hangu
aive akapfeka zijacket ramukoma. Mukoma
havana kuramba mhosva yavo vakatotuma
mama kuti kana vozivisa vana baba vazive
pavaive vakamira. Muroora akanorara naPaida
ini ndikaoneka kuti ndaizomukira ndichienda
kumba ndaizodzoka pamwe ndakubva
kuchikoro ndichizoona maiguru. Mukoma
vakavimbisa kuti vaizondiperekedza kuseni
vonondisiya pagate.
Handina kumborara zvakanaka ini pfungwa
dzaive dzakawandisa. Kuseni takabva pamba
kumasix ndikanosiiwa pagate namukoma.
Zvakaoma henyu Innoe uyuka ndakawana
atobuda mama vachitoti pavakaona
achimukira vaifunga kuti aiuya kuzonditora.

Ini: (ndichida kuchema) aaa handina


kumbotaura naye ini kubva paakaramba
kutaura neni pafoni yenyu.

Mama: makanetsana here nhai mwanangu


nekuti neniwo zvaakaita zvakandishamisa?

Ini: akatanga nenyaya yekuti ndisanosara


kumba ndaifanira kusungirwa ndodzoka nemi.
Ndakaramba ipapo mama ndikati kana
ndisinganosari better ndigare ndarega
kuenda. Ipapa ndakazorega kuuya nekuti ndini
ndaive ndatumirwa shoko rekuti vana
mukoma vaive munzira.

Mama: saka uri kuda kutochema chaiko ipapa


kuti wakatadzei nhai mwanangu? Hapana
anofanira kukurambidza kuenda kumba kuna
mama ikodzero yako. Gadzirira ndikuendesa
kuchikoro uyu Innoe toda kumuratidza kuti
varoora vekwaMapanzure havaitirwe dzungu.
Usamufonera zvachose kunze kwekuti akauya
kuchikoro chete kana asina kuuya undiudze
ndigouya kuzokutora.

Bag randaive naro vakanoisa kune imwe room


handina kuziva kuti vaida kudii naro. Takaenda
kuchikoro vakanondisya ndokuti “zvauri iwe
uite basa rekuchema uchikanganisa mwana?
Misodzi haisvitse kugunun’una kwako
inotokuita weak vanhu votoziva kuti
tikamubhowa anochema haagoni kutaura.”
Vakadzokera ndikaswera hangu zvakanaka
ukuwo foni ndaive ndakadzima. Time
yandakaibatidza hapana chakapinda kubva
kuna Innoe so ndakangofonera mama
vakauya kuzonditora.
Akazosvika Innoe kubva kubasa zuva
richangodoka akatiwana takagara mudining
ndokumhoresa mama chete akadarikira
kuenda kubedroom. Mama vakasara
vachiseka kuridza chikwee vakutevedzera
serious yaakapinda anayo kumeso.
Ini: pamwe ndaidei ndadzokera hangu
kwaMadondo mama ini zvekutaura
handizvigoni.

Mama: pane ati utaure here toita maths


dzedu takanyarara.

Mama vakatondiudza ipapo kuti paive pasina


chekutya nekuti Ashie nababa vaive vaenda
kumusha. Chikafu akaramba Innoe hanzi
naaunt akadeedzera kuti aive akaguta
pavakaenda kunomudeedza. Takadya
tikapedza mama vakati ndiende kunorara
kuspare kwavaive vaisa bag rangu uye
ndaifanira kukiya door nemukati. Ndaitove
nebasa rekuchikoro zvangu so ndakanosvika
ndikatanga kuverenga nguva dzichifamba.
Pane pandakapinda mutoilet ndichidzoka
ndakanzwa voice ramama vachipopota.
Ndakanomira padoor kuti ndinyatsokunzwa
zvikanzi “unobvunza Masiziba kwandiri ndini
murume wake here? Waitei mwana wevanhu
hapana paaingobuda usina kumutadzira?”

Innoe: hapana zvandamuita mama


ndangomuona ipopaya makagara mudining
haana` kuzouya kuzorara.

Mama: ko pawasvika pacho wange uchiita


sewakatsamwa wani?
Innoe: ndange ndakatsamwa asi zvapera
mama please ndiperekedzei ndinobvunza
kana asvika kumba kwavo. Ndamboda kufona
ndikatya manje tikaendako nemi
handinorohwi ndanzwa kuti tsano vaya variko.

Mama vakaseka ini ndichitsonyerera kaziso


kuti “wakaura….

End of chapter 38

Love you guys


CHAPTER 39
*Innocent*

Mukaparadzana nemudiwa wako munenge


muchitarisira kuti pamunosangana
mupengesane nerudo. Ndaive ndatogadzirira
style yandaida kuzofadza umwe wangu nayo.
Ndaida kuita zviri romantic kutengawo
zvekudya toita kapicnic kedu mubedroom
medu husiku. Pakapinda message yaPurity
ndaitofunga kuti yaive yekuti ndiuye
kuzomutora ndipo pandaida kunotenga
zvinhu zvedu ipapo. Message yakatumirwa
naPurity yakasumudza hasha mandiri
ndaisada zvachose kutaura naye
nezvandainzwa nekuti ndaizotadza
kuzvidzora. Ipapa ndipo pandakatanga
kuonera kusarongeka kwake uye kuti aive
stubborn. Ukaona munhu achitadza
kutevedzera simple instruction anenge
akaoma musoro. Pamba pavo paive pedyo
pekuti chero dai aingokwira kombi kana
kufona kuti ndizomutora asina kugeza raisave
dambudziko. Ndakadzima phone
ndikanyarara zvangu ndaive ndisina mashoko
ekutaura naye chero dai ndaida
kumunyengerera kuti auye zvaishaya basa
aive atotumira message ichiratidza kuti
zvekurara zvakare kumba kwavo ndizvo
zvaaida. Pamunotaurirana ndepanenge
pabvunzwa kuti “zvinoita here ndirare”
pakadaro ndaikwanisa kumuonesa kuti
aifanira kuuya then tozoronga rimwe zuva
rekuti adzokere. Ndingaita sendainetsa
zvangu but ko kana dai taigara tiri two
zvaireva here kuti ndaizogara two days dzese
ndisina anondibikira? Ndizvo zvaakarambira
kuenda kuBrook izvozvi zvekuti kana akuenda
kwaanoda asingadzoki ohwanda nekuti
pamba paive nevanhu.
Ashie aida zvekutaura neni asi ndakamuudza
kuti ndainzwa musoro akabva atanga kutamba
magame palaptop yangu. Pakati pemakumbo
angu paikwikwidzana nekutsamwa kwandaiita
pachisumuka zvine simba. Ndaipota
ndichishinyira ndiri mujira zvino Ashie aibva
afunga kuti pamwe sekuru vakufa ouya
kuzobvunza kuti ndaive ndakunyanya
kurwadziwa here. Zvakaita zviri nani time
yandakanorasa mvura mutoilet pandakadzoka
ndakawana aunt vachideedzera vari
pamusiwo kuti vaitida kudining kunodya.
Ndakangoenda zvangu semunhu aive aswera
nenzara but appetite ndaive ndisina.
Ndichitomanikidzira kudya zvangu kuti
pamwe ndingaguta akabva afonera mama
Purity. Eheka ndivo vaaiteerera aive
nepfungwa dzekuti ukaroorwa unofanira
kuimpresser hama dzemurume. Izvozvo
zvaifanira kuitwa atanga agonera ini murume
wake. Ipapa aifonera mama kuita sekuti
number dzangu aisadziziva. Ndakanzwa kuda
kurutsa chikafu chandaive ndadya bundu
rekuona sekuti Purity aisandida raive ragara
pahuro. Ndakabuda mama vakuda kundipa
foni kuti nditaure naye ndikataurira pasi-pasi
ndichifamba kuti “tozotaura kana auya pano
kwete kuda kundipusisa semwana mudiki.”
Ndakasara padiki-diki kuseka ndasvika
kubedroom kwangu ndichimhanyira pafoni
kuti pamwe ndingawana message. Purity
ndaimuda henyu ipapa aingove manyawi
ekukurirwa nemupant asi dai aizoti
haachandida ndipo pamaiona kuti ndaigona
kungodonha ndikafa. Zvino zvandaitarisira call
kana message iyo foni ndaive ndadzima.
Umwe moyo wakati rega yakadaro arambe
achitambura kukutsvaga ndichibva ndapinda
mumachira ndikafuga musoro. Ndakamboita
nguva here ndakafunga kuti pamwe
ndaitozvitadzisa kuona message yaizondifadza
ndini uyo ndakabva ndabaya on button
sendisingadi ikalighter. Ndakazowedzera
kurwadziwa zvese nekupindwa nechando
munguva yekupisa yataive iyoyi. Purity haana
kubvira anditsvaka kureva kuti kusapindura
message yake kwandakaita hakuna
kumbomurwadza. Ini ndaifunga kuti kana
mukadzi aroorwa ndiye anenge
akunyengerera murume.
Handina kumborara ndichivhunduka nekurota
hope dzekurambiwa naPurity. Pandakangoona
kwachena ndakagadzirira zvekuenda kubasa
ndichiti pamwe ndainozorora kufunga
ndawandirwa nezvekuita. Mama ndakavaona
kuseni vachiti vaigadzirira dad naAshie
zverwendo rwavo rwekuenda kumusha.
Ndakangoti “okay ndovaona vadzoka”
handina kubvunza kuti vaienda kunodii kana
vaizodzoka rini.
Kubasa ndizvowo hazvo kwaive nani pane
kuswera pamba wakarara mujira wega
kufanana nevaive vasina kuroora. Ndaiita
ndichitarisa foni kuti pamwe angaisa message
Purity kuti adzoka manje kunyarara kwake
kwaitoreva kuti nekuchikoro haana kuenda.
Zvekuchikoro hapana aimumanikidza
aitofanira kuzvifungira ega ini pangu ndaive
ndaita ndapedza, kumubhadharira mari
nekutenga zvese zvaidiwa.
Zvakandipa kudarikidza nguva dzekuenda
kumba ndichiitira kuti ndisvike ndichirara
ndaisada zvekunoudzwa nhema namama ko
ndaitozivaka kuti vaitaurirana nemuroora
wavo vachibvuma zvese-zvese pane kuti
vamutsiure kuti aifanira kuuya kumba
sekutaura kwaakaita.
Kumba ndakawana ariko akatogara pedyo
namama ndikanzwa umwe mufaro mumoyo
pandakamuona. Chakandipa kumunyararira
nekunyepedzera kutsamwa ipride
nekutodawo kuti adzidze kukumbira
ruregerero kana aita zvatinenge tisina
kutenderana. Chikafu ndaive ndadya mutown
ndichiti pamwe ndikaramba kumba mama
vaizondinyengerera vachidawo kunzwa
chaishungurudza mwana wavo. Ndivo
vamwewo ava vaive vasisandidi kare ndaiti
ndikatadza kudya vaiita sevachandibereka.
Kuzodeedzerwa chikafu kwacho kwakauya
aunt pane kuti aidei akauya Purity. Masekero
avaiita kudining aive ekutoda kundirwadzisa.
Vakasvika kumaten variko ndikangozonzwa
kuti zii malight amwe epanze akabva
adzimwa. Ndakagara hour yese ndichiti
pamwe ndichanzwa door richivhurwa munhu
achipinda kuuya kuzorara. Nguva yese iyi
ndaiti pamwe aisuka nekuti aimbozviita
zvekusara asi aisagarisa nguva yakareba kudai.
Ndakawedzera amwe maminutes ukuwo hope
dzaive dzakuda kundikurira so ndakabuda
ndichida kunotarisa mustudyroom but
ndakawana door rakakiiwa. Kukitchen
nekudining ndakanotarisa kwaive kusina
munhu. Door raive risina kukiiwa ndere
kuback roga hamheno kuti mama
vakakanganwa here kana kuti Purity ndipo
paaive abuda napo. Ndakarohwa nehana
chero pfungwa dzangu ndipo padzakatanga
kushanda zvakanaka ndakuregretter
zvandaive ndaita zvekumunyararira. Ndaitya
kuti kana aive adzokera kumba kwavo husiku
pamwe aive atosvika akataura zvese zvaiitika.
Tsano Allan ndaive ndanzwa zvekuuya kwavo
nasekuru baba Munya but hatina kutaura
zvakawanda nekuti pandakabvunza zvaPurity
vaiti havana kunge vamuona kuseni.
Nemarovero avakaita Jona paya ndakanzwa
nyama dzangu dzichifamba-famba nekutya.
Sekuru baba Munya vaigona kundiudza kana
aive asvika kana kwete asi zvaisaita kuti
vanyarare kuzivisa varidzi vake.
Ndakambotenderera panze ndichitsvaka
ndikapedzisira ndaona kuti ndaitambisa nguva
ndichitadza kuudza mama vandibatsire.
Ndaitarisira kuona vachivhunduka mai Innoe
asi apa vakatoseka ndikati “mama ndiri
serious Purity haapo haana kubvira auya
kuzorara.” Pavakaona ndiri serious ndipo
pavakatanga kubvunza manje kuti taive
tanetsana here. Pachokwadi chaipo taive
tisina kunetsana ini ndini ndakanetseka kana
kuti ndainetsa. Vakangobatikana zvishoma
mama kwete zvandaiziva vachiita amwe
mazuva avainzwa kuti kwaitika zvakashata.
Takatenderera imba yese tichiedzesera
kuvhura madoor vaibva vati “makey ese ndini
ndinogara nawo saka hapana paaimbopinda
ndisingazive.” Takabuda panze kunotarisa
kwese kwandaive ndambotsvaka
tikazopedzisira nekuenda kupool ukowo
ndaive ndisina kukusvika. Hapana
chatakawana kupool vakabva vatogara
pabench ndokuti “ko Nashe wandanzwa kuti
aive pano neSaturday aive avingei?”
Ndakavhunduka ndikatadza kupindura apa
zvaive pachena kuti vakaudzwa nambuya mai
Natie chete.

Mama: chii chiri kuitika Innoe handisi


kukunzwisisa iwe kubva zvatakaenda
kumasungiro. Hauchadi mukadzi here tiudze
tizive adzokere kumba kwavo nguva iripo.

Ini: mama madii kuti titange taziva kuti Purity


ari safe here?

Mama: saka zvandakubvunza hazvina basa


unoda Masiziba atione sevanhu vakaita sei
chaizvo? Wakataura zvambuya mai Natie
chete kuti vakambouya pano ndakuzoita
kunzwa namukoma ndavabvunza kuti akatsika
ruva repagate apo ndiani asi iwe
wakanyarara? Maive maranganaka kuti
mosangana kuno mukakanganiswa nekuuya
kwambuya mai Natie? Kudana Nashe kuti
muzoonanirana muroom maunorara
nemukadzi wako hakusi kudzikisira mwana
wevanhu here ikoko?

Ini: mama handina kumbodeedza Nashe ini


akauya achitevera tete vake naivo
vakashamisika nekuuya kwaakaita.

Mama: ukaregerei kutaura nezvake kana


waiziva kuti hapana nyaya iripo? Takati
ugotevera kwaMadondo iwe ukarega apa
wabva wachinja wakungoita makwindi-
kwindi. Kanganisa imba yako yega kana
usingazive kukosha kwekuve baba vemusha.
Nyaya yaNashe iyi unoziva here kuti inogona
kukanganisa imba yasekuru vako? Baba Natie
haadi kunzwa zvechipfambi zvachose saka
ziva pekufarisa uchiguma. Watokura iwe
zvekuyema nekuzviita mwana mudiki
ngazvisare. Mwana ari munzira iyeyu ouya
mumba muna baba vanotovewo mwana futi
pane chinobuda here ipapo? Masiziba
andiudza zvekumurambidza kwawaiita kuti
anoona amai vake. Ndidzo nyaya dziri kuputsa
dzimba dzakawanda idzodzo zvodyara
ruvengo. Iwe uneni mai vako pano handina
kana problem naMasiziba asi akazoona
wakutora amai vake sevasina basa uchadyara
ruvengo patiri tiri vaviri. Akagara mwedzi
mingani asingaoni amai vake nhasi angoita
two days achirarako watobva watadza
kugarisika ukwane iwe semari yebhazi.

Ini: but aive avimbisa kuti anodzoka nezuro.

Mama: kuvimbisa kana kusavimbisa


wakamupa here mukana wekutsanangura
zvakamutadzisa kudzoka? Iko kuda kuudzwa
zvese ndizvo zvinopa vakwasha vakawanda
makuhwa. Pane nyaya dzakawanda dzinoitika
kwavatezvara shoko rotouya kuti
tokumbirawo mudzimai wenyu auye pane
zvatinoda kugadzirisa kana zvisingaite kuti iwe
mukwasha uzvizive havakuudzi asi hapana
paungati mukadzi haaendi nekuti hauna
kuudzwa chikonzero. Zvimwe tangai
mabvunza vakuru musati makanganisa kugara
kwenyu nekuti vakawanda vari kushamisika
kuti dzimba dziri kuputsika mazuvano sei izvo
vana hamuna zivo yakakwana mumarriage.
Kare ndipo painzi mwana kana
ashungurudzwa ngaashingirire vabereki
vachitya kuti muraini vanozosekwa. Ziva
kufambirana nenguva abuse hakusi kurova
chete asi izvozvo zvawakaita zvekuti Masiziba
asanoona amai vake ziabuse rinotyisa.

Ini: I’m sorry mom kungoti aaa-eee….

Mama: haukumbiri ruregerero kwandiri ini


ndokwana papi apa?

Ini: dai matanga mafona mama tinzwe kuti


aripi ndakutotya zvakaitika paya nana Loca.

Vakasimuka vasina kutaura neni ndokufamba


vachipinda mumba. Ndakafunga kuti pamwe
vakunotora makey emota kuti tiende
kwaMadondo. Ndakatanga kufunga kuti
ndaizosvika ndichiti chii zvaitoda kuti mama
vanzwisise vonopinda ivo ini ndosara kugate.
Pese pandaitaura namama apa ndaive ndisina
kupfeka hembe kumusoro ndofunga chero dai
ndaive ndisina kupfeka short pamwe
ndaisatozvinzwa. Ndakamhanya mumba
ndichiti nditore hembe but ndakanomira
mudining ndawana mama naPurity vakamira
vese. Mama vakatanga kuseka uyu Purity
akangotarisa pasi achibata-bata zvigunwe
zvake zvemumaoko. Mama vakazoti “night
vanangu toonana kuseni.”
Purity: ehoyi mama.

Mama vakakwidza nemasteps kuenda kuroom


kwavo tikasara takamira asi Purity
akazofambisa achienda kuroom kwedu asina
chaataura. Ndakateverawo ndikawana agara
pabed ndikashaya kuti ndopfugama here kana
ndochema ndozokumbira ruregerero. Nyaya
yaive yakunyanya kundityisa ndeya Nashe
ndaifunga kuti pamwe mama vaive vamuudza.

Purity: mhoro Innoe?

Ini: eish I’m fine, wange waendepi?

Purity: (achisumuka) kure newe handiti


wakanditsamwira?

Ini: look! I..l, okay it’s fine

Purity: hapana chiri fine apa ndange


ndichifunga kuti wange usisadi kundiona saka
seyi wange wakunditsvaka?

Ini: handina kuti handidi kukuona babie but


ndakangofunga kuti wakarega kudzoka nezuro
uchida kundikaurisa?
Purity: wakafunga zvako wega usina kutanga
wanzwa kwandiri uchibva watoti ndizvo
chaizvo?

Ini: ngatingoti zvapera babie, I was wrong.

Purity: no hausi wrong zvako but ndodawo


kuziva mitemo yako yawakaisa pakati pangu
nehama dzangu. Ndoitira kuti ndisazorasike
uye kana vazoti ndiuye kumba ndizive
zvekuvaudza.

Ini: zvapera babie hapana mitemo iripo.

Purity: wakaoma hako, ndoziva kuti main


reason yako ndeyekuti haungarari wega.
Unomboziva here kuti zvinorema kuve mwana
wechikoro ane nhumbu? Zvinorema kuve
mukadzi ane mhuri uku uri mwana wechikoro
futi. Maduty emukadzi akaroorwa anenge
achida kuitwa ese ndinotoremerwa ipopaya
asi ndinoshingirira nekuti kuramba
ndozvitaura hakuna zvakunondibatsira nako
asi ndopedzisira ndakuita semunhu anonetsa.

Ini: I’m sorry.

Purity: hapana sorry apa zvimwe zvaunoita


hako hazvinakidze.
Ini: (ndichisebera nekumumbundira) sorry
babie ndange ndatokusuwa mese nemwana
wangu.

Akangonditarisa achiedza kurova serious


ndichibva ndamunyerekedza akaseka.
Takamboseka ndichimuudza kuti zvavaive
vaita namama zvakandityisa. Tiri mukuseka
imomo ndakaona kuti better ndigare ndataura
nyaya yaNashe. Aive asina kuinzwa zvake but
mama vaive vamuudza zvekuuya kwambuya
mai Natie. Ndakaenderera mberi nekuti
“ndosaka ndisina kuzotevera ndakaona kuti
handingavasiye vega pano. Time yavakaenda
ndiyo yakasara vanhu vaive vaenda newe
vachisvikawo.”

Purity: vakakurumidza kudzoka nekuda


kwekuti vanhu vekumba vaida kurongedza
zvekuti vamuke vachidzokera.

Pavaviri vanodanana hapashaikwe benzi ini


ndaitoona kuti patiri ndini ndaive benzi racho.
Purity ainzwisisa seipapa takanga takutoseka
kuita sevanhu vasina kumbobvira
vatsamwisana. Aive andisuwa ndakaona
nemapihwirwo andakaitwa rudo kuita
kuvhura gumbo seachabudisa mwana wangu
asati akwana nine months. Iye mwana wacho
manyawi ndaingokaviwa ndiri pamusoro
kanenge kaifarira kukwazisana nadad.
Takamuka tiri mumafaro ndikaperekedza
umwe wangu kuchikoro, manheru
ndikanomutora zvakare. Manheru takawana
mbuya mai Natie vauya kumba vaina mbuya
mai two. Vaiita chionekedzo vachiti vaizomuka
vachidzokera kwavo kuSA.
Ndiko kwakave kuparadzana navo chavakaita
kufona vaenda vachitaura kuti vaive vasvika
zvakanaka. Isu takasara zvakanaka
tikatomboenda kwaMadondo naPurity
ndichinokwazisa vaenzi. Weekend akaenda
zvakare Purity vachinoendesa ambuya
kumusha. Zvese ndaive ndakubvuma pasina
kutanga ndapa mibvunzo isina basa. Dad vaive
vanditsiurawo nenyaya iyoyi vachiti Purity
aitove aunt sezvaive zvakangoita mama
kwaChitimbe ndosaka vaimira nevana
vehanzvadzi yavo kuri kuedza kubatanidza
mhuri. Tsano Allan vaive vadzokera kubasa asi
vaizonosangana nemudzimai wavo kumusha.
Ashie aive aitirwa mapaper ake akadzokera
haana kukwanisa kuwana number dzambuya
Loveness. Handina kumubvunza kuti aizodii
ndaitonamata kuti akanganwe nezvazvo
nekuti ukada munhu wausina mukana
wekuona unozvikuvadzisa nekufunga.

Pakadzoka vana Purity kumusha akambogara


mwedzi wese asina kuenda kunoona amai
vake. Mainini Paida ndivo vakambouya kumba
zvavo kaviri kese kana ndisingakanganisi.
Vaive vakuwirirana zvakanyanya nemukoma
wavo vaitoti vakauya Purity ndaimusuwa
aitozouya kwandiri manheru chete pakurara.
Panguva iyi ndipo pandaive ndakuda
kumuona akazorora nekuti aive aremerwa
nhumbu yake yaive yakakurisa. Mama vaiti
ndizvo zvavaiitawo zvekutakura zidumbu
zihombe pavaiita nhumbu. Musi waakati aida
kunoona amai vake takaenda tese tikanorara
mazuva maviri ndokudzoka. Sekuru Nigel
ndivo vakandipa plan iyoyo yekuti pane
kuswera tichinetsana kuti umwe aenda
akasadzoka tese taive nekodzero yekuvisiter
pamwe togara mazuva ataida pasina
kupanana mitemo.
November akamborwara serious chaiyo achiti
mudumbu nemusana. Akazotanga kuona
turopa pese paaiendera kutoilet tikamutakura
kuenda kuchipatara. Hapana zvakawanda
zvakataurwa vakati zvaive normal mwana
aitendeuka kutarisa pasi. Ini ndaitya ndichiti
pamwe aive akutoda kubuda zvake.
Kuchipatara takanosangana namama vake
namainini Paida vauya kuzoona kuti chii
chainetsa. Hapana kumbozoita week sekuru
baba Munya vakauya neshoko rekuti
paaivhara kuchikoro paizouya vanhu
kuzomutora akunogarira kumba kwavo.
Vakaita sekureva kwavaive vaita kukauya sisi
vake vahombe, mbuya mai Munya namainini
Paida. Paakaenda pacho ndakamuka kuseni
ndichienda kuSA ndaive ndagara ndiine
rwendo aitozviziva. Ndaifanira kunogarako
week yese but pandaive ndave nethree days
ndiriko ndakanzwa ndakufonerwa
ndichiudzwa kuti Purity aive atiza akadzokera
kumba. Dumbu rake makuriro araive raita
zvaisaita kuti afambe nemakombi.
Pandakaudzwa nasekuru baba Munya vaitoda
kuziva kuti vodii naye kana aida kugara hake
kumba zvaive zvakanaka. Chavaida kuti agare
panzvimbo imwe. Mama akavaudza kuti
aingozoita two days odzokera vakabvuma asi
hapanaka paaizogara dad vasina kuudzwa.
Kuda mama pavakasvitsa nyaya kuna dad
vakapawo comment yavo vachiti vari kutamba
zvavaimboita kare. Ndakanzwa zvakunzi aive
akuda kudzokera husiku kumba kwavo achiti
“baba vandidzinga.” Pandakafonerwa
ndakaedza kutaura naye akatadza achichema
ndakabva ndatosiira dad Tineyi zvandaiita
zvese kuti kana vatenga votumira netruck
randaive ndatsvaka ndikamuka kuseni
kwezuva raitevera ndichidzokera
kuZimbabwe. Paive pakuda kuti aperekedzwe
powana anonotsanangura zvaive zvaitika
kwete zvaaitaura zvaigona kumutsa ruvengo
vanhu vekwaMadondo vachiti dad vaive
wrong. Problem yakaitika ndeyekuti mbuya
mai two vaive vasiko vaidei vari ivo
vakadzokera naye. Pakadai ndipo
paunombofunga kuti pamwe nhumbu inenge
yauya ichida kupesanisa vanhu. Dad hapana
pavaizomudzinga pamwe vakataura
vachitamba zvino nekuvengwa kwavaive
vagara vakaitwa vakabva vatotsvakirwa
mhosva. Handina kutaura navo pafoni ndaitya
kunzwa kurwadziwa kwavo ndiri kire zvaitoda
ndiri pedyo pandaikwanisa kuvacomforter.
Pandakaburuka kuairport ndakatsvaka cab
ikandiendesa kumba mama vakatoshamisika
vachindiona ndikavaudza kuti paive pasina
zvekuita kunze kwekudzoka kuzoedza kuti
vanhu vanzwisisane. Iye Purity ndakawana
ariko asi dad vainzi vaive vabuda. Mama
vakati ndisamubvunza zvekuuya kwaaive aita.
Hapana kumboita nguva refu dad vaive
vadzoka vakauya vakatakura maplastic
sezvavaingoita asati aenda kumba kwavo.
Akarongedza chikafu chake akati kuna mama
“chindiperekedzai asi chikafu changu
chikapera ndodzoka.” Ini ndakashaya
chandaive ndadzokera hangu
ndikatombobatikana nekuti haana kana kuita
basa neni. Chikafu ichocho chaaifarira
aikwanisa kutenga ega inga mari ndaive
ndamupa wani. Dad ndivo vakazoita
ndidzikame hanzi “mukasadzidza munhu
muchagara muchinetseka siyanai nesu
tinozivana zvichapera ko kwasara nguva
yakareba here?” Nguva hayo paive pasisina`
taitatarisira kuti late December kana early
January aipona.
ZvaPurity zvainetsa kunzwisisa mama
vakanodzoka vasina chekutaura vachingoseka.
Hanzi akanosvika akunyepa kuti dad ndivo
vakamuti auye kuzoona vamwe uye kwaive
nefamily meeting. Paakabvunzwa kuti sei
asina kuoneka hanzi akati aitya kuzononoka
kumeeting nekuti mama kana sekuru baba
Munya vaikwanisa kumuperekedza vaive
vachiri kubasa.

End of chapter 39

Love you guys


FINALE
*Purity*

Kufamba kwaiita mazuva kwaireva kuti nguva


yekuti ndive mubereki yaiitawo ichiswedera.
Vakadzi taifanira kukosheswa haisi nyore
kuchengeta upenyu hwechimwe chisikwa
mukati mako chichiramiswa newe. Ndakabva
ndarwara tave torwards kuvhara kuchikoro
tikaenda kuchipatara zvikanzi mwana
aitendeuka kutarisa pasi. Kubva musi uyu
hana yangu haina kuzogarisika ndaive
ndakutya nhoroondo dzandaimbonzwa
dzekubara. Vamwe vaitaura zveoperation
inova yavaiti yaive ngozi huru nekuti vamwe
vaibva varasikirwa neupenyu hwavo
nehwemwana kana kuti amai vaifa mwana
osara. Normal birth vamwe vaiti zvaigona
kutora mazuva uri mulabour uchirwadziwa.
Ndaisaziva kuti nditarisire zvipi chaizvo nekuti
gynae wangu haana kundihwandisira kuti
zvimwe zvinogona kungochinja nezuva
rekupedzisira. Aiti vamwe vaitotakura
nhumbu kubva paone month kusvika kunine
months vachinzi operation asi zvaizochinja
nelast minute obara zvakanaka. Mashoko ake
aireva kuti kune vanenge vakanziwo normal
birth zvaigona kungoshata zvakare.
Ndaive ndatanga kudya mishonga yemasuwo
ndichiri kwaMapanzure ndaipiwa namama
vaiti vakabva nayo kumusha kuMberengwa.
Ndakazotorwa kumba kuti ndiende
kwaMadondo mama vakakurudzira kuti
paweek yangu yekupedzisira ndinwe mvura
yederere zvakare. Ndakatorwa tichangotanga
December saka vaiti hapana
pandaizombodzoka kwaMapanzure
ndaitonorindira kusvika ndapona. Pamutemo
chaipo ndaifanira kuenda nhumbu yave
neseven months asi ndakanonoka nekuda
kwekuenda kuchikoro. Zvaisave nyore
kuparadzana namama nababa musi uyu
ndakasara padiki kuchinjisa zvinhu hangu kuti
ndingogara ndopona kana kuti mama
Madondo ndivo vaizouya havo
kwaMapanzure. Zvisinei hazvo takaenda
kumba sisi vangu vakanga vauya kuzonditora
nambuya mai Munya vakamuka muzuva
raitevera racho vachidzokera kwavo. Innoe
aitonditsvaka iye pasina izvozvo
ndaimukanganwa ini no message no kufona
futi. Ndakanzwa achizvinyepera musi watabva
kumba hanzi “uchanondisuwa hako
usazochema.” Raipenga iri ndiani aive
nenguva yekutambisa achimusuwa. Upenyu
hwaive hwatochinja veduwe zvese zvinonaka
zvandaivigirwa nababa ndaive
ndichazviwanepi hangu? Mama vaitenga
mafruits nezvimwewo zvavaiti zvaisimbisa
mwana asi zvaive zvisinganaki. Baba vaiti
vakauya negaka chairo wairidya richiita
serakarungwa sugar. Ndakaona zvaenderera
ndikataimira mama vari kubasa ndikanyepera
mbuya mai Munya kuti ndaidiwa kumba
nekukasira kufamily meeting. Vakaedza kuti
vadeedze mama vazondiperekedza
ndikanyepa futi kuti pane mota yaizonditora
kujunction. Ndaive ndakuremerwa
nekufamba vaindityira kuti ndaizokuvadzwa
mukombi. Innoe aive asipo ndaingotaura naye
achiti aive right kuSA kwaaive. Kurambidza
munhu rwendo iye atopedza kurongedza
zvinorema. Mbuya ndakavaoneka ndatopfeka
zvese zvandaida ndatakura saka
pavaindionesa zvekudeedza mama kana
sekuru baba Munya ndaitoomesa gotsi
ndakananga kugate. Mama nekuda kunzi
vanoziva vaigona kutotanga vafonera
kwaMapanzure vondibhururusira shiri yangu.
Takaparadzana pagate nambuya vachiti
vakunofonera mama vavazivise. Ipapo
ndakamboedzesera kumhanya kutizaka kuti
pavaizofona vakaudzwa chokwadi kana
vakuda kundideedza vawane ndave kure.
Ndakasekwa nezvimwe zvikomana zvaive
muchimota chaibudisa hutsi hwakandisiya
ndakukosora. Havaimbotadza kuseka veduwe
dumbu rangu raive rakura iri. Ndakaita luck
rekuwana kombi ndikabhadhara mari
yemaseat maviri kuti ndigare zvakanaka
ndikanosiiwa mutown ndokuzotsvaka cab.
Pandaisvika vanhu vaishamisika apa
ndainyepa chaiko ndakatoshaya kuti nhema
dzandaitaura dzaibva payi chaizvo.
KwaMapanzure ndakanonyepa kuti mbuya
vaive kumusha, mama vaifanira kuenda
kubusiness meeting saka vakaona zvisingaite
kuti ndisare naPaida pamba. Vakabvuma
mama Mapanzure zvikazoshanduka zvakare
pakauya baba vaive vatoudzwa namama kuti
ndaive kumba. Vakauya nemaplastic andaive
ndavinga asi vakazondibhowa vakuti “ko mhai
matodzoka kwakanaka here?” Ndakazvitora
nenzira yangu kuti saka vaida kutanga
vaziviswa kuti ndaiuya nekuda kwei? Zvaireva
kuti vaisandida pamba pavo saka ndakabva
ndatoti ndadzingwa. Ndaitoda kudzokera
husiku hwakare ihwohwo asi mama
vakaramba vakati vaizoenda neni kuseni.
Regai ndingoti nhema dzangu
dzakandikanganisira zvakawanda nekuti
pandakadzokera mama Madondo vachinzwa
zvese zvaiitika vakabva vatoti vakumbomira
kuenda kubasa. Mutemo wakadzikwa wekuti
ndaizobuda gate kana ndiine anenge
anditakura nemota chete pasina izvozvo
hapana kwandaienda. Innoe aive avimbisa
kuti ndiye aizouya kuzondiona kana tasuwana
manje ndakavaudzawo kuti ndaisada
kumuona zvachose. Pakadzokera mama
Mapanzure ndakasara ndichitsiurwa nambuya
mai Munya hanzi “Purity zvimwe zvatinoita
tiine nhumbu unomboziva here kuti
zvinodyara ruvengo mumhuri? Vashoma
vanonzwisisa kuti munhu anochinja kana
akazvitakura vamwe vanoona sekuti
wakuzviitisa. Edza kuzvidzora nekuti izvi
zvawave kuita uchinyepera vatezvara vako
watodarika muganhu. Havasi muzukuru kana
munin’ina wemurume wako waunoita
majokes naye. Mazuva apfuura ayo
waibleeder iwe ndiani anoziva zviri kuda
kuitika ko kana ukaponera munzira uchifamba
kudai poitika zvinoitika unoti vanhu
vekwaMapanzure vanokusekerera here?
Paunenge uri pano unogara uchichema
negumbo tichiti zorora usanyanye kufamba-
famba aaa Purity dai wamborega kutiisa
pamiyedzo hatidi kuita vanhu vakaipa
kwaMapanzure isu. Ndinokuziva uchiteerera
chii chakuchinja kudai unoti kuchenama ugoti
nhema futi. Iye murume waunojangandura
kudai uri kumudzinga pauri zvinova zvakaipa
nekuti umwe anoora moyo.” Vachitarisira kuti
ndivakumbira ruregerero ndakavati “mapedza
here mbuya kutaura ndimborara.” Ndaive
ndaguta zvangu tunonaka twandaive ndabva
natwo kwaMapanzure. Hapana kana one
wandakapa kusanganisira mwana waPaida.
Mushure memazuva chikafu chiya chakapera
ndikatanga kutsvaka zano rekuti ndobuda sei
ndidzokere kwaMapanzure. Makey egate
aigara muhuro mamama ndaive ndisina
mukana wekubuda zvachose. Kuseri kwaive
negarden redu remuriwo ndakaona kuri iko
kwaizondiita kuti ndikwanise kubuda. Kwaive
nezimumango zihombe raive rakati kwati
nedurawall. Muti wacho waisanetsa kukwira
zvachose so ndakaona kuti zvaive nani kuti
ndiite sendaitsvaka mango ndonosvetukira
kuimba yekuseri ndoshandisa gate ravo
kubuda. Mama nambuya mai Munya vaive
vakagara kufront pavereandah ndini uyo
ndakanyahwaira ndikanokwira zvakanaka.
Ndave padenga ndakambotya kuti
ndaizokwanisa here kusvetuka pakareba
kudaro. Ndakazvishingisa ndokurembedza
makumbo kuseri hamheno zvakaitika kuruoko
rwangu rwekwaleft ndakabva ndatsvedza
ndichinorovera pasi nemagadziko
ndikadeedzera nekurwadziwa. Mai vepaimba
iyi vakavhunduka vanzwa noise vakauya
vachimhanya wanei ndakati tasa ndakarara
nemusana waidairira marwadzo aibva
kuchiuno. Havana kundibata vakamhanya
nekugate ndokunodeedza mama vakauya
nambuya. Ndairwadziwa kana kutaura
zvavaindibvunza ndakatadza vakabva
vanditakura kuenda kuchipatara. Munzira
vakafonera vekwaMapanzure vachivazivisa
zvaive zvaitika takangoti tichisvika naivowo
vachisvika. Yakave batai-batai vachiedza
kunzwisisa zvaive zvaitika uye kuda kuziva kuti
mwana aive safe here. Kubleeder kuya kwaive
kwatanga zvakare ndakaona tumadonhwe
tweropa padress.
Misikanzwa yakakonzera kuti ndigare
muchipatara kubva musi waseventeen
December ndikatambira Christmas
nenewyear ndirimo. Yakave nguva yakaomera
munhu wese nekuti taive takutyira kuti
taigona kurasikirwa nemwana. Ndaisanzwa
kurwadziwa kwekuda kupona pese apa uye
vaiti chibereko chaive chakavharika asi ropa
raibuda everyday. Raive shoma zvaro but
pamunhu ane nhumbu vaiti chero discharge
yakaita cream chaiyo haikurudzirwi. Chiuno
hachina kumbozoita right ndaitadza kufamba,
kwese kwandaida kuenda ndaiita
zvekusundwa newheelchair. Innoe akaonda
nenguva diki-diki achibva atanga kungozvibata
rough zvekusvika pakushaya nguva yekugera
ndebvu chaidzo. Dzimwe nguva aiuya
kuzoswera nekurara kuchipatara asi nyaya
chaidzo pakati pedu dzaive dzave shoma.
Ipapa ndipo pandakaona kuti mhepo
dzinenge dzaive dzazosimuka nesimba nekuti
wese aiuya kuzondiona shoko raive rekuti sei
ndakakwira pakakura kudaro ndikazviwisira
muyard mevanhu. Vaifunga kuti ndaida
kuzviuraya kana kuti ndaida kuurayisa mwana.
Munhu akanyatsondibudira pachena
ndimama Madondo vakundiruma nzeve
vachiti vanhu vaironga kuti kana ndabuda
muchipatara ndiwane maspecialist
aizondibatsira uye kunzwisisa kuti chii chaizvo
chaiitika pandiri. Sezvineiwo musi waeight
December bleeding iya yakatiwedzerei husiku
kumaten. Doctor aive paduty akamboedza
kuti ayimise zvikashaya basa. Aingove doctor
aitarisa varwere vese but ini ndaive newangu
hangu panguva iyi aive aenda kumba.
Ndakakumbira kuti vafonere kumba kana
paine zvaizoitika ndaida kuti vazive chokwadi
chakaita ndikwire durawall vasazofunge kuti
ndaida kuurayisa mwana. Doctor aive
atauraka kuti mabudiro aive akuita ropa aive
akatosiyana nenguva yese yandakagara
muchipatara. Zvinoitawo Satan regai zvichinzi
munamato wakakosha nguva dzose. Masikati
Innoe akauya kuzondiona achibva akumbira
kuti manheru anorara kumba. Ndakapindura
mashoko akamurwadza ndichiti “ndange
ndichishaya kuti ndokuudza sei usadzoka
ndakushaya nguva yekufunga
ndakangorindwa.” Akashamisika akati
“kufungaka kuti wopedzisa sei zvawaive
wafunga kuita?” Akabuda ndikasara
ndichizvishora pane zvandaive ndataura asi
shoko harivhikwe hamheno kuti
aizondiregerera here. Pakadaro ndipo
pandakasara ndobleeder zvakatyisa nadoctor
chaiye. Mungafunga kuti pamwe kurwara
kwangu hakuna kusvika munzeve dzehama.
Pandaive muchipatara ayewa vakauya
vakawanda kwazvo kuzondiona kubva kune
vekwedu kwaMapanzure kusvika kunana
sekuru vekwaChitimbe. Christmas nenewyear
vana sekuru baba Natie nambuya vaivepo
vachiuya everyday kuzondiona nevamwe
vakatodzokera January achangotanga
vachimhanyira kubasa. Mama Felie
vakauyawo nemhuri yavo vakadarika
vachindiona vachienda kuMasvingo. Ava
havana kuzotambira new year muZimbabwe
vaive vadzokera asi vakadarika futi
vachindiona pavaive vakuenda kuairport.
Ndichidzoka pakurwara kwangu kwaive
kwakwirira uku vana mama vakafonerwa kuti
vamuke vachiuya kuchipatara kuseni.
Hazvirevi kuti vaisauya asi dzimwe nguva
vaipanana mukana kuti vamwe vakauya
kuseni vamwewo vouya masikati so apa
vaidiwa vese. Doctor havana kuziva kuti nguva
yaive yakwana neniwo handina kuziva.
Kumapast two kunze kwakuda kuchena pain
iya yekuchiuno yakashifter ikatanga kubata
nepaguvhu ichitenderedza chiuno chese
chichiita sechaisungwa zvakasimba. Ini ndaive
ndajaira marwadzo angu uye chairwadza
ndechekuti dzimwe nguva ndaingorwadziwa
pasina chandaipiwa chekuderedza marwadzo.
Munhu ane nhumbu haangonwi mapiritsi ese-
ese uye nekuoma kwakaita zvinhu hapana
pandaizowana zvese zvakakwana saka
ndaingotevedzera. Nurse akazonditarisa
kumathree akandiwana ndichishinyira
nemarwadzo akabvunza kuti paive nezvaive
zvachinja here ndikamuti kwete. Dai
ndakataura chokwadi pamwe vaidei vakaona
zvaive zvakuda kuitika nekukasira. Kubva
kumathree ikoko handina kumbozobatwa
nehope marwadzo aive auya ese. Nurse
akauya five yachaya achida kundiendesa
kunogeza ndiye akaita mwari wangu. Uyuwo
doctor akarara ari paduty aive atoenda.
Ndaiti kana ndakurwadziwa zvakanyanya
ndaipedzisira ndakugomera. Akavhunduka
anzwa kugomera asi mugoona
ndaimbodeedzera kuti “nurse” vanenge
vaitadza kundinzwa kwavaive vakagara ikoko.
Akandivhura makumbo achida kuona kuti
ropa raibuda rakawanda here akabva
asanganidzana nemvura yakabuda zvine
simba ndikanzwa kudziya payaiyerera.
Akamhanya-mhanya achideedza vamwe kuti
vandiendese mulabour muroom. Doctor
wangu akafonerwa akati akuuya nekukasika.
Semunhu aive agarisa muchipatara manurse
aitya kuti ndikaona zvandinoona doctor asipo
zvaizokonzera kuti chipatara chipiwe mhosva
yenegligence. Zvandamboreva zviya kuti satan
akasatsiurwa anoita manyemwe henyu. Ipapa
mazuva mazhinji doctor aienda kumba nasix
manheru odzoka pakati pehusiku manje
zvemusi uyu hamheno kuti akanovarairwa nei.
Pandakaiswa mulabour room ndaive
ndakunzwa kusundwa chaiko kuti gomera
zvine simba. Pain ndaiinzwa uye iyi
yakandionesa kuti paive pave nemusiyano
neyandainzwa mazuva ose. Nurse
vakashamisika ndakudeedzera kuti mwana
akuuya. Vakatanga kusundidzirana vachitya
kuzondibatsira. Pane umwe akangozopfeka
magloves akaisa muchinjikwa pachipfuva
ndokunditarisa akaona musoro wemwana.
Akandibata padumbu achida kundipusher kuti
ndiende paposition yakanaka mwana akabva
atotanga kufamba akadeedzera kuti “push.”
Ndakashandisa simba rangu rese rikwakwama
zvaro sezigondora ukuwo ini pain yese
ichitiza. Ndaitoda kumuka ndione kuti
chokwadi ndaive ndabudisa munhu here asi
nurse vakati ndimbomira vatange vapedza
zvavaiita. Vamwe vaya vekuramba kuuya
kuzondibatsira vaive vakusebera zvishoma
nezvishoma vachikatyamara.
Doctor vakazosvika ndakubatsirwa kugara kuti
ndikwanise kuyamwisa mwana. Misodzi
yakayerera ndabata zigomana rangu iwo
matama veduwe aive muhombe. Ndaive
ndisina kutsemukira manurse aitoti ndaive
nenyama dzakanaka. Pasina nguva
ndadzoserwa kuroom kwangu kwandaigara
mazuva ose vakapinda vanhu kuzondiona
ikave noise vachifarira mwana. Innoe akabata
kumeso kwake akaisa musoro kumadziro
waitoona nekusimudza mapendekete kuti
aichema. Mama Mapanzure misodzi yaiyerera
kumeso vachireverera sevanodetemba kuri
kufarira mwana. Baba vakafonerwa tikaseka
isu vachitaura vachideedzera hanzi
“makorokoto kani baba vemhuri vauya kuno,
rino kani zigomana rakasvika-svika. Ndoita
zvekudiiko ini mwari wangu ndomutenda
neiko?” Vana mama Madondo vakatangirwa
kusvika asi havana kunyanya kunonoka zvavo.
Pavakapinda vakashaya mukana wekuuya
pandiri ini ndaive ndichadiwa here meso
evanhu vese aive pamwana. Mama vakati
vakumhanya kunotora hembe ndaive ndisina
kuenda nebag remwana sezvo ndakaenda
neurwere. Innoe haana kugarisa futi mufaro
waimukurira aiti kana oda kutaura obvundisa
miromo kuda kuchema. Ndakasara namama
Mapanzure zvikanzi “ndini here ndave mbuya
kudai? Ndotenda mhandara yangu wandipa
chiremerera muzuva ranhasi. Pandakaona
warwara ndakati nhai mwari ko madirei
kugara muchiona misodzi yangu siku nesikati?
Chandinoda kukuudza mwanangu ndechekuti
hakuna mhepo inongobhururuka yoenda
nyore. Ndakuzvitaura nhasi nekuti tamukunda
Satan anga akatitsoma chaiko seimbwa
inotandanisa tsuro. Ndairota ndiri murima
kubva zvawakatanga kurwara paya usati
wavhara. Ndakambozvitora sehope
dzinongodarika asi pese pandaifunga
nezvazvo hana yangu yairova. Chimwezve
hope dzacho dzairamba dzichidzoka kusvika
musi wandakazorota iwe uri murima macho
uchitadza kufamba kuti ubudemo. Christmas
nenew year zvatakadarika izvi ndaive
pakutsanya zveday and night. Pandakaona
kuti rima iri yaive mhepo yakaipa
ndepandakatanga kurota ndichiona tumoto
tudiki twaikura nekufamba kwaiita mazuva.
Baba vakazonzwisisa zvandairwa nazvo
pandakavaudza kuswera nezuro ndichiti
ndarota kuchinzi zuva harichadoki kwave
kugara kuine chiedza nguva dzose. Zvimwe
zvinhu hazvidi vemweya mwanangu asi kuziva
nhamo yako. Hapana pandaizotarisira kuti
dambudziko ratakasangana naro raizopera
tisina kuedzwa asi ndotenda mwari
vatikundisa. Dai zvichibvira taimutumidza kuti
Isheanesu kana kuchizouya vamwe
kumashure ayewa tozopa hedu mazita
atinawo pamoyo.”

Ini: (ndakavabata maoko misodzi ichiyerera)


ndotenda mama nekundinamatira kwamaiita
nguva yese iyi. Neniwo ndakunzwisisa kuti
shuwa mhepo yaive yakanditarisa ichida
kutinyadzisa. Muti wandakakwira nedumbu
rakaremberera kudaro handizivi kuti
ndaifungei chaizvo? Mukukura kwedu kwese
hatina kubvira takwira mauri zvachose mango
dzaikoronorwa namukoma vachishandisa
wire.

Mama: mhepo zvainoita mwanangu inotove


nemaziso nenzeve. Pamunenge muchironga
inoona kuti hoo apa ndangwarirwa regai
nditsvake rimwe divi rekuuya naro. Tese
tainamata kuti dai nhumbu yabata ichibva
yabatawo. Takatanga kunamata kuti dai
yangodarika three months zvikaita sekudaro
saka isu taive tatowarairwa kuti mwana wedu
tomubata ndosaka wakaona zvakazochinja
kudai.

Ini: (ndichisekerera) hapana kupfuma


kunodarika kuve nevabereki.

Mama: wataura chokwadi vanhu


havazvinzwisisi kuti dzimwe nguva kubudirira
kwevana vane vabereki hakusi kupiwa
zvikwanisiro. Vabereki chero vari kure musi
wavanofunga vana vavo shoko rinotanga
kubuda mumuromo mavo nderekuti mwari
vatarirei kure kwavari ikoko vasasangana
nezvibinga mupinyi. Izvozvo zvikaitwa nehama
kuvana vanenge vakafirwa nevabereki
muchaona kuti upenyu hwenherera
hunochinja.

Takataura zvakawanda kusvika mama vadzoka


vakabatsirana vana mbuya vemunhu
kumupfekedza. Aichema Anesu wedu mama
Mapanzure vachiseka hanzi “hezvo
zvawatobuda wakakwana zvese body, dumbu
nevoice kuita sasekuru vane mhosva
yekudzinga mama kumba.” Kuzodaro takaseka
veduwe ndaive ndakunyara asi kuti
ndakanyepera baba.

Mwana akatariswa zvese akaonekwa ari right


so ndakangorara zuva rimwe ndikabudiswa
muchipatara. Innoe ndakazotaura naye
panyaya yekuyamwisa mwana
akandibvumidza uye nekurwara kwandakaita
aive achinja moyo achiti aida kuti
ndimbozorora zvishoma tozoronga zvekuita
umwe mwana. Zita rekuti Isheanesu
rakagamuchirwa nemunhu wese ukave
mufaro ichingove “Ane-Ane.” Zvipo zvekupona
kwandakaita mwana handichatauri zvangu asi
ndongoti vanhu vakabvisa kuita sevaitoda
kundituma kuti ndiite umwe.
KwaMadondo handina kugarisa mwana akati
achikwanisa two weeks ndakabva
ndaperekedzwa kwaMapanzure. Apawo ndipo
pakauya tete kana kumbonyara zvavo utsotsi
hwavakaitira mama. Ivo mama havana
kuvabvunza vaiziva kuti ndivo vaizosara
vakurwadziwa nemashoko ko tete vaipererwa
here? Vaigona kuudzwa kuti “ndakadya mari
yehanzvadzi yangu.”
Mwana paakakwanisa mwedzi ndakatanga
kuenda kubasa ndichidzoka palunch
kuzoyamwisa. Aisara nambuya vake vaive
vazowana basa manje ini ndaimupiwa
pakuyamwa chete uye paakangokwanisa
three months vaive vakurara naye. Achinoti
five months akaramba mukaka achibva
atozobva pandiri zvachose.
Aikura zvakanaka mwana wangu uye aive
akangwarisa. Asati akufamba aiti baba
vakapinda akagara pamakumbo ambuya vake
aiita seachasvetuka achisekerera. Baba Anesu
aitofunga kuti pamwe achave very close
nemwana wake asi akazobvuma rimwe zuva
hanzi “uyu haasi wedu haatidi.”

Ndakapedza attachment yangu ndikadzokera


kunopedzisa degree rangu. Pandaive
ndasarirwa netwo months kuti ndipedze
ndakasiya family planning ndaive ndakuda
umwe mwana. Baba Ane handina kumuudza
ndakangozoita surprise zvangu pandakaenda
kuchipatara ndisisanzwisise zvaiitika pandiri
ndikanoudzwa kuti yaive nhumbu. Akafara
akati aitoshaya kuti ondiudza sei kuti tiedze
kuita umwe. Mama ndakavaudza vakati
vakutotanga kunamata nezvazvo. Vaitsanya
Friday yoga-yoga uye pese pavapfugama
vaindideedza toita mubatira pamwe. Iyi zvayo
yakauya zvakanaka haina kumbonetsa
ndaisarudza chikafu apo neapo. Handina
wandaivenga kana kufarira ndaingorarama
zviri normal. Mama Madondo vakatoita
zvekundibvunza musi wandakagraduater
vaona kusimba nekupenyerera kwacho
ndichibva ndabvuma kuti yaive nhumbu. Basa
ndakambomira kutsvaka ndaida kuzorora
sezvo panhumbu yaAne ndaienda kuchikoro.
Scan takaita ikabuditsa kuti aive mwana
musikana taive tangomirira kuti nine months
dzikwane abude zvake. Magariro edu haana
kuchinja ndaidiwa-ndaidiwa-uye rudo
rwevanhu vekwaMapanzure rwaingoramba
ruchiwedzera. Bana Ane ndaishaya kui
ndomutenda nei haana kumbochinja madiro
aaindiita andipa kuchema nemufaro. Business
rake patwo years dzatakanga tave nemwana
wedu Ane rakandikurira kani kuita sekuti
ndiye aive auya neluck rese. Aive akwanisa
kuvhura mamwe mabranch matatu so
kuHarare ndiko kwaive kwave kuHeadquater.
Ini aindivimbisa kuti ndizoshanda kwegore
rimwe chete ndichitsvaka experience then
ndozotanga kuitawo zvangu achindisimudzira.
Paida aive akuenda kuchikoro panguva iyi aive
achangotanga final year yake kucollege aive
azofunga kuita teacher. Akakwanisawo
kunoona Jona kujeri akamuudza zvemwana`
akatomboperekedzwa nambuya mai Munya
kumusha kunoratidza vabereki muzukuru
wavo. Jona akazochinjwa jeri akanoiswa kune
repedyo nekumusha kwake ndipo
patakapedzisira kunzwa nezvake. Loca
handizivi kuti akazodii ndaisatoda futi kunzwa
nezvake. Zvekupinda murudo kwaPaida
takatanga tichatarisira nekubvunza kuti aive
asati awana umwe here asi takasvika
pakuneta. Taive tangomirira kuti kana
aizochinja moyo aizotizivisa iye pachake.

End of [FINALE]

Love you guys


CHAPTER 41
CHAPTER 42
CHAPTER 43
CHAPTER 44
CHAPTER 45
CHAPTER 46
CHAPTER 47
CHAPTER 48
CHAPTER 49
CHAPTER 50
CHAPTER 51
CHAPTER 52
CHAPTER 53
CHAPTER 54
CHAPTER 55
CHAPTER 56
CHAPTER 57
CHAPTER 58
CHAPTER 59
CHAPTER 60
CHAPTER 61
CHAPTER 62

You might also like