Shona Paper 2 Grade 7

You might also like

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 2

ZIMBABWE REPUBLIC POLICE SCHOOLS

GRADE SEVEN TERM 1 EXAMINATIONS 2021

CHISHONA
PAPER 2: Rondedzero neNzwisiso

Time: 1 hour 45 minutes

Nguva: Awa nemaminitsi makumi mana nemashanu

MIRAIRO KUVANYORI

1. Verenga mirairo yebvunzo unzwisise usati wanyora.

2. Usavhura bepa rebvunzo usati wapihwa mvumo.

3. Shandisa chinyoreso cheBlue kana Black pane zvese zvauchanyora pabepa


rekupindurira mibvunzo.

4. Nyora zita rako pabepa rega rega rekupindurira mibvunzo.

5. Pindura mibvunzo neChiShona chakanaka pabepa rekupindurira mibvunzo.

6. Unotarisirwa kutora awa rimwechete pachikamu chokutanga uye maminitsi


makumi mana nemashanu pachikamu chechipiri.

7. Pindura mubvunzo mumwe chete pachikamu chokutanga ugopindura yose


pachikamu chechipiri.

8. Kana ukashandisa mapepa maviri kana akawanda emhinduro, unofanirwa


kuasunganidza pamwechete.

9. Kana usina kunzwisisa mirairo iyi bvunza mudzidzisi akutsananguririre usati


watanga kunyora.

CHIKAMU (I)
Sarudza musoro mumwechate werondedzero ugonyora pamusoro pezvawo
nemutauro wakanaka.

1) Nyora tsamba kumapurisa emunharahunda yenyu uchitsanangura dambudziko


rekubiwa kwezvipfuyo.
2) Nyora rondedzero ine musoro wekuti “muromo wevakuru hauwiri pasi.”
3) Nyora hurukuro pakati pevhanhu vatatu vachikurukura pamusoro pezvekubiwa
kwevana kwakurumbira munyika.
4) Nyora rondedzero uchitsanangura zuva rawakafadza vabereki vako.
5) Nyora rondedzero uchitsanangura mutambo webhora wawakamboona.

CHIKAMU (II)

Verenga ndima inotevera ugo pindura mibvunzo inotevera.

Change chiri Chitatu apo VaSande vakafumobata jongwe muromo vakananga kwaErina
kundotenga hwahwa. Erina aizivikanwa mudunhu rashe Murinye nekubika hwahwa usina
akamboona. Sezvo change chiri chisi vanhu vasingaite mabasa akasiyana siyana. VaSande
vaida kuswera vachinwa hwahwa hwavo vari pamumvuri vachitandara nemuzukuru wavo.
Vave kudzoka VaSande vaitoimba zvavo dzapasichigare sezvo vakanga vambomedza
mikombe miviri kwaErina.

Havana kuziva zvakanga zvakavamirira kumba kwavo. Hwahwa hwacho hwavakanga


vatenga havana kana kuzotohunwa sezvo vakatoswera votove nemariro pamba pavo.
Kamuzukuru kavo kakasara kakatsikwa nemombe padanga pavo kachibva kangofirapo.

1. Akamukira kundotenga hwahwa ndiani? [1]

2. Erina aizivikanwa nei? [1]

3. Vanhu vemudunhu rashe Murinye havaiti mabasa musi upi? [1]

4. Chii chaida kuswera chichiitwa naVaSande? [1]

5. VaSande vaiitei pavakanga vachibva kwaErina? [1]

6. Nyora pfupiso ine mazwi makumi matatu nemashanu inotsanangurazvakaitwa


navaSande musi weChitatu uye dambudziko ravakazosangana naro.
[5]

You might also like