Professional Documents
Culture Documents
Mhosva Hairovi (SSN1)
Mhosva Hairovi (SSN1)
Mhosva Hairovi (SSN1)
0787080914
0789919785
SEASON 1
CHAPTER 1
KUPERA KWECHITSAUKO 1
CHAPTER 2
KUPERA KWECHITSAUKO 2
CHAPTER 3
Chidokwa dokwa chevanhu vaida kuti
mupomerwi wemhosva apiwe
mutongo unorwadza kwazvo
Nohuhwandu hwavo vakabva vaita
chipata pata vachipinda muzunde
ramambo Mambo akabva arivhura
rake ziso dzvuku dzvuku achishama
nemawandiro akanga akaita vanhu
Unombofunga kuti zvimwe vainge
vainenyaya dzakasiyana siyana asi
akazoona neruzha rwavaiita vakagara
pedyo napedyo "Makadiiko vanhu
vashe Mangwende ndinokutambirai
nomufaro wakapetwa kana Kurisei
kwamunobva makaita kuwanda
kudaro", vakadaro changamire
vakagara havo pane chituru chainge
chakagadzirwa hacho zvakanaka naka
chine ruvara rwegoridhe Vanhu vose
vanomboramba vanyerere havo
pachibva pangosimuka Baba
vaTaruvinga "Makadii changamire ini
ndinoitwawo Dzomhoro ndauya
nenyaya yangu yakamira yakadaizvi",
asati apedza kutaura Mambo vanobva
vamugamha ndookumubvunza
Dear Tutsirai
KUPERA KWECHITSAUKO 3
CHAPTER 4
KUPERA KWECHITSAUKO 4
CHAPTER 5
KUPERA KWECHITSAUKO 5
CHAPTER 6
KUPERA KWECHITSAUKO 6
CHAPTER 7
Munyori
KUPERA KWECHITSAUKO 7
CHAPTER 8
Hutano hwechikomana Tutsirai
hwakanga hwakuita huchiderera
zvishoma nezvishoma Zvaanga ajaira
zviya zvekudya madiro, mujeri
makanga musisina izvozvo Uku
vabereki vake vaipota vachichinjana
kunomuona vakabata havo chikafu
chokuti adye Zuva rechimangwana
rakasvika Mai Taruvinga vakanga vaita
zvino kuguta nehasha nokuda
kwetsikidzi dzakarara
dzichivashungurudza husiku hwese
Mupurisa wechidzimai uya akanga
asiya avaudza kuti aizodzoka
achipedzisa nyaya yavo musi uyu
haana kuuya kukamba aivawo
nerimwe basa guru raaiita Vanobva
varara zvekare musero muya uku
nzara zvino yakanga yavaruma ino
yakakora chaiyo Kumba kwakanga
kwasara zvivana zvidoko zvokuti
hapana kana umwechete zvake
akafunga kuvaendesera chikafu
Vakafuma zvekare varimo
kwaakuchizoti mangwanani
ndopavanzwa gonhi ravakuvhurwa
Mupurisa wechidzimai akanga auya
zvino kuzopedzisa zvaakatanga Teerai
shure kwangu anodaro mudzimai uya
achinanga kuhofisi yake Mudzimai
aizvinzwa zvake iyeye ungati
akatakura Zimbabwe nezvicherwa
zvayo Aifamba achiita kunge munhu
arikunyangira, kunge pasi panopisa
Vese vanoita chipatapata vachiteera
shure kwemudzimai uya Mudzimai
aiziikanwa nezita rokuti Natasha asi
akanga akaroirwa zvake Semunhu
akarwadziwa nekuberekabaida
kunyatsopa mutongo unoenderana
nevanhu ava Anobva asvika zvake
muhofisi muya kwaakutanga kunyora
nyora zvake bhuku achibva audza
vanhu vana ava kuti vaizodiiwa kukoti
svondo rinoteera Vanobva vabuda
zvavo baba naamai vaTaruvinga
nevakomana vaviri vaye
kwaakudzokera zvavo kumba
MUNYORI
CHAPTER 9
KUPERA KWECHITSAUKO 9
CHAPTER 10
KUPERA KWECHITSAUKO 10
CHAPTER 11
KUPERA KWECHITSAUKO 11
CHAPTER 12
KUPERA KWECHITSAUKO 12
CHAPTER 13
KUPERA KWECHITSAUKO 13
CHAPTER 14
KUPERA KWECHITSAUKO 14
CHAPTER 15
Mai Taruvinga
Handichazive zvokuita ini nokuda
kwemabasa angu Ndaifungidzira kuti
zvimwe mhuri yababa naamai
vaTutsirai ndivo vane chokuita nerufu
rwemwana wangu asi hazvisizvo
Nekushungurudza kwose kwandakaita
Runesu mwana wavo Havangadai
vachitiunzira chikafu chokuti tidye
muno Kunyangwe kuvana vangu
chaivo Vaisamboita pfungwa
dzekuvatora kuti vavachengete sezvo
ndisipo kudai Hama dzangu chaidzo
dzakakoniwa kuvatora asi ivo mbune
ndivo vakazvikwanisa Chikafu
chavanouya nacho
ndinozongotambira hangu nokuda
kwenzara asi nyadzi dzinokuda rufu
chokwadi, ndinenge ndichitoshaya
kuti ndonyarirepi nemabasa akaipa
andakavaitira Asi ndinongonamata
nechememumoyo kuti mai Tutsirai
ndiregererewo mumwe wangu
ndakatadza chokwadi
KUPERA KWECHITSAUKO 15
CHAPTER 16
KUPERA KWECHITSAUKO 16
END OF SEASON 1
Thank you guys for
supporting me