Mhosva Hairovi (SSN1)

You might also like

Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 170

MHOSVA HAIROVI

STORY BY LEE MUGEDE

0787080914
0789919785

SEASON 1
CHAPTER 1

Hupenyu hwake hwakanga hwaoma


zvikuru nokuda kwekupomerwa misva
isiyake Asi vakuru vakataura
nepakasiyana siyana vachizama
kureva chinhu chimwe chete chokuti
MHOSVA HAIROVI Vaizama kuda
kutiudza kuti kunyangwe
ukaparamura mhosva wogotiza
kuenda kure kungava kunze kwenyika
chaiko asi mhosva haifi yakakusiya
Uye chinokanganwa idemo, munhu
waunenge wakaitira chakaipa haarege
kugunun'una izvi zvinova zvinhu
zvinozoita kuti hupengu hwako
usanyatsofamba mune zvakanaka

Wakati urimusiwe mugovera hawo


chikomana Tutsirai chakanga chabva
hacho kootamba nhabvu
munharaunda yokwaMatanda
Chikomana chakabva chasvika hacho
pamuzinda ndookubva amhanyira
kurwizi kooshamba sezvo akanga
akazara shena yoga yoga Nenguva
pfupi chikomana Tutsirai chakanga
chadzoka hacho asi kunze kwakanga
kwasvika hako Chikomana hachina
kutora maminitsi akawanda chakanga
chatopedza hacho kuchinja mbatya
Akabva akwidza hake nenzira kitsvaga
mombe dzake Tutsirai mukomana
aiva nemakore makumi maviri
nemashanu okuberekwa Uyezve aiva
dangwe mumba mavo Mumba mavo
vakanga vakazvarwa vari vatanhatu
vachiti iye Tutsirai ndiye aiva
wokutanga kuchibva kwateera
chisikana chainzi Runesu , koteera
mumwe musikanazve akanga akatsiga
kudarika vamwe vese ainzi Tinevimbo,
kuchiuya zvekare chikomana chaiva
chakangwarisa kwazvo chainzi
Shingirai kozopedzisira nemapatya
maviri aiti Tendai na Tadiwa Ava
ndivo vaiva vana vaVaMagoto

Tutsirai akasvikopinda muchikomo


chaiva pedyo nenzira yaidarika
nemotokari Achangopinda
mukakomo akabva aona mombe
dzake dzirimujinga megomo
Chikomana chakabva chatanga hacho
kutinha mombe Apedza
kudzikokorodza anobva afunga hake
zvokuti amborasa tsvina yakanga
yamusunga kwazvo Akabva
amhanyira pakagwenzi kaiva padyo
achibva avhumbama hake ipapo
Nechinguva chipfupi akanzwa
kugomera kwaibva nekumashire
kwake Akabva asimuka
ndookutenderera negwenzi riya
Tutsirai akashamisika nemashura
akaona pagwenzi iri Akabva aona inga
ndiTaruvinga wandinoziva uyu
Taruvinga akanga angoti rabada
achingogomera nemasiriri aiita
kuyerera achidonha pasi uku pasi
pakanga pazara ropa rega rega
Tutsirai akanzwa tsitsi achibva
asimudza chikomana Taruvinga
kwavakutanga kuenda naye kunzira
awane kufamba achienda naye kumba
Paakanomubata ruoko akaona kuti
kwaingova kuda kushingirira hake asi
chikomana chakanga chatova pedyo
nekusiya nyemba Chikomana
chakabva chasimudza Taruvinga
ndookutanga kundenderedzana naye
hake Achingonoti mumugwagwa pfee
akabva ambozorora hake sezvo
akanga aneta hake Kwapera kanguva
akazosimudzira ndookutanga
kufamba nechikomana chiya
Achangoti fambei akabva asangana
neimwe motokari yaibva mberi kwake
Motokari iya yakasvika ichibva yamira
hayo Mumotokari makaburika ino
mhitsa yemurume ichibvq
yangomhanya kunobata Tutsirai
ndookubva amuisa mumotokari
Pasina nguva yakareba vakanga
vatosvika kukamba yemapurisa
Tutsirai akashamisika achiona
avakutobatwa nemapurisa Akabva
aendwa naye muchitokisi ukuwo
Taruvinga akanga atosiya nyemba
nechekare
Chikomana chakabva chatoona kuti
apa pakanga patoshatisisa kwazvo

Asi iye haana hake kutya maningi


akatotora hake nyaya seisina basa
asingazivi kuti yaizomutsitsirira
Chikomana chakabva chatoiswa
muchizarira iye achibva atoshamawo
kuti kochii changachoitikazve
Chikomana Tutsirai chakava
nekunetseka nokuti aisanzwisisa kuti
zvaimbofambasei Chikomana
chakambozama kiluda kutaura
nemapurisa kuti anzwe kuti vaive
vambomuisirei muchitokisi, asi
hapana akada kumupindura vese
vainhomuyeva vachimurongera
dhende Pakazosvika umwe
wemapurisa akanga avharira
chikomana ndookubva ataura
mashoko akaita kuti Tutsirai agodame
pasi akabata musoro uku
achideedzera "Shamwari yangu ndine
urombo hangu Ndabvira kare
ndichikuona uchiratidza kunetseka
maningi nezvirikuitika pano asi rega
ndikubudire pachena wabatwa
nemhosva yekuuraya nokuti munhu
wawanga wakatakura ashaya Kusvika
tazowana tsvakurudzo yokuti chii
chakaitika kuti mukomana uyu
azoshaya

Saka ikozvino tichambokudzosera


hako kumba zuva remangwana
wozouya zuva ratichakuudza apo
pauchazotongwa", mupurisa akabva
atanga hake kuenda sezvo pake
akanga atopedza Tutsirai akachema
neshungu achiratidza kurwadziwa
kwazvo Achichema neshungu kudaro
anobva aona murume uya
wekumubata achimuisa mumotokari
achipinda maaiva ari Rume raiva
dema dema haro iroro Waiti
wakamutarisa waiti itsito raani iroro
Akanga akasviba kuti ndoo achioneka
kuchena kwemeno nemaziso bedzi
"Ndiwe mhondi yacho nhai
Ndinehurombo newe chikomana
pachatongwa nyaya yako
ndinotofanira kuvapo nokuti mhondi
dzakaita semi soo hadzifanire
kuregwa kana kupiwa mutongo
wakapfawa Dai vakatoita kuti ini
nditonge nyaya yako Paunozopinda
mukati muno ndinouya zvekare
ndichikuranga ini", rume dema
rinobva rabuda haro richikanyaira
kanyaira haro Tutsirai akaita hasha
asi pakanga pasina chokuita Akabva
angogara hake akazembera madziro
misodzi yachingoti mokoto mumaziso
"Kubatsira munhu yativa mhosva futi
here Rega vakuru vati tsitsi
dzinotsitsirira ndazozviona manje Ini
ndangandatoti sezvandaona chimwe
changu chichitambudzika
ndichibatsire yatova mhosva here
nhai akomana Mwari ndivo vanoziva
zvavazviitira nechikonzero", akanga
ongova mashoko okuzvinyaradza asi
zvechokwadi pakanga patoshatisisa
kwazvo Kumba kwake vabereki
vaishushikana vachitsvaga kuti
chikomana chaimbovepi asi
vazokoniwa Nokuda kwemoyo
wekubereka vakati vanosvitsawo
nyaya yavo kumapurisa kuti havasi
kuona mwana wavo Tutsirai Apa
ndipo pavanosvika vachiona mwana
wavo agere zvake maziso aita
kuzvimba nokuchema Vabereki vake
vakarwadziwa zvikuru asi pakati pavo
vese vari vaviri hapana akabvuma
mhosva yaipomerwa mwana wavo
nokuti vose vainyatsoziva hunhu
hwaiva nemwana wavo Saka
haaizomboita mabasa akashatisisa
kudaro

KUPERA KWECHITSAUKO 1
CHAPTER 2

Baba naamai vaTutsirai vakabva


vabuda havo panze vakamirira kubida
kwaizoita mwana wavo sezvo
zvakanga zvataurwa kuti
achambobuda ozodzoka kumutongo
wake Vakamirira havo mwanakomana
wavo vakabva vagara havo panze
pePolice Station vachidya havo
tumabanana netumaputi twavanga
vatenga zvavo Mai Tutsirai "Asi
baba vaTutsi nyaya iyi munoionawo
seiwo imi"
BaTutsirai " Ndingatiiko nhai adzimai
pamwe ungagone kurambira munhu
ariiye anenge adaro zvake Saka
panonetsa kuti unyatsotaura maonero
nokuti pa place pakaitikira zvinhi
hatisi kupaziva hedu"
Mai Tutsirai "Asi mwana wangu
haadaro ndinozviziva Tutsirai
haangamboite zvinhu zvakadzungaira
kudaro Chandinotoona ndechekuti
Tutsirai akaona munhu oda kufa
achibva azama kuda kumubatsira
achibva azosvikirwa nemunhu anonzi
akazomubata wacho"
BaTutsirai " Hatichaziva isu
adzimai totongomirira kutongwa
kwaachazoitwa ndipo patichaona
chokwadi chose" Vachiri zvavo pakati
pokutaura nyaya dzavo vachionesana
mwana wavo akabva abuda vachibva
vapinda habo munzira kunanga
kumba kwavo

Tutsirai "Wangu munyama


handiziwe kuti ndakanyatsoita sei ini
ahhh"
Mai Tutsirai " Ndihwo hupenyu
mwanangu tinotonginamatira kuti dai
varega kukuisa muchizarira Asi
nyatsondiudza chakanyatsoitika"
Tutsirai "Haa ndotoshaya kuti
pandakabatsira munhu akuvara
ndakaita mhosva papi"
Mai Tutsirai " Wakadziya moto
wembavha mwanangu"
Tutsirai "Zvichireva kuti
vachangondikanda mukati zveee" Mai
Tutsirai " Hameno pamwe
vachanzwa tsitsi asi handione
sokudaro ini" Vatatu vakabva vasvika
havo pamusha pavo varipakati
pekukurukura havo nyaya yangayadai
kuvatemesa musoro Pavakasvika
kumba vabereki vaTutsirai vakabva
vafunga havo kuenda kunhamo
kwaTaruvinga sezvo maiva muraini
mumwechete Vakabva vagadzirira
havo kwavakupinda munzira zvavo
Nenguva pfupi pfupi vakanga
vatosvika panhamo paye Vachiri
kunze kwegedhi vakabva vanzwa izwi
raideedzera pamba pana Taruvinga
richititaura zvarainzwa kuda

"Uko kugedhe uko ndapota


musasvika henyu pano nokuti mune
ngozi irimumaoko enyu Potai
muchidzidzisa vana venyu hunhu
honai aavika paakuuraya jaya
rangarakazvinakira haro Garirai
gedhe ikoyo kuno mungafe
nekurohwa nekuti vakatogadzirira
nechekare Maita zvinoshoresa wena
mwana wenyu angaapindwa nei
pakuuraya munhu kunge huku kudaro
Zvino mumwe anopfidza chete", izwi
rakabva nekumhomho yakanga
yakamira mumadziro ekicheni
necheparutivi pacho paibikwa sadza
Baba naamai vaTutsi vakabva
vangotenera ipapo kwavakudzokera
havo kumba kwavo Mufaro chaiwo
pakanga pasisina pakati pevaviri ava
Vakanga vatoshatiswa nokuda
kwemwanakomana wavo asina hake
chaanga atadzira vanhu aingodai
kupomerwa mhosva isi yake Vakasvika
havo pamba pavo vachingogunun'una
gunun'una nezvavanga vaitwa kumba
kwana Taruvinga "Chisingazive vanhu
ndechekuti kana ariiye akauraya ngozi
inozongomumukira hake saka hatina
hedu kwatingamhanyire kuenda hedu
nokuti ngozi haimbofa yakatizika
chokwadi chese chichazongobuda
chete ndizvo zvandinonyatsoziva
hangu ini Asi chandinotovashora
ndechekuti vanongotanga
kungobvotomoka vasati vanzwa
kuchaenda nenyaya Isu vamwe
tinozongoona kunowira tsvimbo
nedohwe Mwana wangu
ndakamuyarutsa arimunhu kwaye
ndikamudzidzisa hunhu, zvakanaka
nezvakaipa zvose anozviziva handina
pandakaresva kuraira mwana wangu
ini ende ndini chivimbo chokuti
zvingaitike zvingaitike hazvo asi
Tutsirai haasimboriiye akaita mabasa
akasunama kudai", vanodaro havo
mai vake Tutsirai vachingogutsirira
musoro semunhu aiudzwa nyaya
nomumwe munhu kuri kubhiwekana
nezvavanga vaitwa kunhamo

Pasina chinguva vakabva vaona


mhomho vakomana ichisvika
pamusha pavo Ivo vakangoramba
vakayeva havo vakomana vachisvika
panzvimbo
Mai Tutsi " Timbire vanangu
kwakanaka here kwamunouya
muchifambisa zvakadai"
Mukomana 1 "Mukomana Tutsirai
aripi ndiye watinoda kuona hedu
timboita mwinyi mwinyi naye hedu"
Mai Tutsi " Mukamana haapo
handisikuziva kuti anyatsoenda kupi
ini" Mukomana 2 "Handei
tonotarisa mumba mavo imomo
hatimushaye arimo chete
hatingafambire mahara kana kubva
pano hedu tisina kumuona hazvisi
kumboita aendepi"

Mai Tutsi "Ndoosaka


ndambobvunza zvakanaka paye kuti
kutsvene here nekuti matauriro
amaakuita haasisiri ekuti tiwirirane
aya" Mukomana 1
"Zvamavakutotaura zvava zvimwewo
izvo amai imi tatokuudzai zatirikuda"
Mai Tutsirai vakabva vapinda havo
mumba mavo vachibva vagara havo
mumba mavo ndookusiya mhomho
iya iripanze Vachangogara pasi
vakabva vanzwa kuti pwaaa vachibva
vasimuka havo vachindotarisa kuti chii
chaiva chaitika panze Vanobva
vasvika havo vachiona glass
repakicheni pavo rapwanywa
nevakomana vaye Mai vaTutsirai
vanobva vagumbuka ndookuda
kuzama kudzinga vanhu vaye asi
pakanga pasina hapo zvavaiita
Vakomana vakabva vapinda mumba
muya vachibva vatanga
kuvhungunyura imba yose
Vachiripakati pekupekesha pekesha
chikomana Tutsirai chinobva chasvika
hacho chakadungamidzana nababa
vacho vachibva havo kunogobora
zvigutsa zvekuvesesa moto havo
Vanobva vasvikotambirana
nemashura aiitwa nevakomana vaye
Tustirai akabva amira hake pamukova
ndookubva aridza mheterwa
yakanzwikwa nemunhu wese aiva
panzvimbo apa Akabva atendeuka
hake ndookunomira pakati pacho
chivanze Vakomana vanobva vabuda
vakananga kwaiva kwakamirwa
nechikomana uku chakabata hacho
demo raaibva kunotemesa zvigutsa
Vakomana vanodedera nekutyira kure
kuswedera pedyo nechikomana
Tutsirai Vese vajabva vamira havo
kwakadaro vaakungotanga kuhuhudza
pasina zvavaiita Chikomana chakabva
chatanga kufamba chichiswedera
pedyo nekwaiva nevakomana vaye
Vese vakabva vatanga kutiza tiza
ndookuenda havo kwavaiva vabva
Tutsirai akangosara hake achisekerera
nemaitiro anga aitwa nevakomana
vaye Apa pakanga patoshatisisa
zvikuru nokuti mhuri yokumba
kwaigara Taruvinga yakanga yotoda
zvehondo chaizvo VokwaTaruvinga
vakabva vafunga havo zvokuti vaende
kundomhan'ara nyaya yavo
kwaMambo kuitira kuti varipwe
Vakabva varonga havo zuva rokuti
vaende kwamambo kwacho
kundovapira nyaya iyi Zuva ravakanga
varonga rakabva rakabva rasvika

Mhuri yakafumobata jongwe muromo


yakananga kwaMambo Mangwende
rungwanani ngwanani shiri dzisati
dzatanga hadzo kushaura kunze
kuchiine mhute Vakabva vasvika
pazunde ramambo Jinda ramambo
rakabva rabuda haro panze
ndookuvaudza kuti vambogara havo
pasi pemimvuri vakamirira kudaidzwa
sezvo mambo vakanga vasati
vanombogeza nekumeso chaiko
Vakabva vaita chipata pata kunanga
mumiti yakanga iripamba paMambo
kuchiti pasi pemiti pakanga
pakavakirirwa hapo pokugara
Vakaronga zvakasiyana siyana
vakagara havo pasi pemimvuri
Vakazodeedzwa papera maminitsi
anokwana awa rimwechete vachibva
vaita havo mudungwe kupinda mukati
zvekutoti mambo akavhundukawo
neuwandu hwaiva nevanhu vacho

KUPERA KWECHITSAUKO 2

CHAPTER 3
Chidokwa dokwa chevanhu vaida kuti
mupomerwi wemhosva apiwe
mutongo unorwadza kwazvo
Nohuhwandu hwavo vakabva vaita
chipata pata vachipinda muzunde
ramambo Mambo akabva arivhura
rake ziso dzvuku dzvuku achishama
nemawandiro akanga akaita vanhu
Unombofunga kuti zvimwe vainge
vainenyaya dzakasiyana siyana asi
akazoona neruzha rwavaiita vakagara
pedyo napedyo "Makadiiko vanhu
vashe Mangwende ndinokutambirai
nomufaro wakapetwa kana Kurisei
kwamunobva makaita kuwanda
kudaro", vakadaro changamire
vakagara havo pane chituru chainge
chakagadzirwa hacho zvakanaka naka
chine ruvara rwegoridhe Vanhu vose
vanomboramba vanyerere havo
pachibva pangosimuka Baba
vaTaruvinga "Makadii changamire ini
ndinoitwawo Dzomhoro ndauya
nenyaya yangu yakamira yakadaizvi",
asati apedza kutaura Mambo vanobva
vamugamha ndookumubvunza

"Kana uchiti ndauyawo kunge wauya


wega iwe wauya nemhomho
yakawanda seizvi unorevei kasi
hamusi pamwechete", vanodaro havo
Mambo vachigadzirisa dehwe
rembudzi raiva muhuro mavo "
Pakanganiswa Changamire
ndinokumbira kuenderera mberi
hangu Tauyawo nenyaya yakamira
seizvi, mazuva mana adarika
mwanakomana wedu anosiikanwa
nezita rokuti Taruvinga akaurawa
nechikomana chinonzi Tutsirai saka
tauya kuzoisa nyaya mumaoko enyu",
vanobva vagara havo pasi ndookubva
vatsikitsira havo misodzi
yavakutoyerera Mambo vanobva
vakwenya havo mhuno yavo
nekasiyanwa vachiratidza kushamisika
nenyaya yakanga yapinzwa mudariro
Vanoratidza kukaahadzika zvikuru
nemashoko ababa vaTaruvinga
Mambo haana kuda kupedza nguva
akabva angovaudza kuti vandotora
mhondi yacho Vakabva vaita
chipatapata vakananga vachibuda
muzunde raMambo vakanga kumba
kweMhondi Vaifamba vachiita ruzha
kunge vana vadiki vechikoro Nenguva
pfupi pfupi vakanga vasvika pamba
panaTutsirai vachibva vamuudza kuti
aidikanwa naMambo asi chikomana
hachina kubvuma kuenda kwaMambo
"Tutsirai unodiwa naMambo hunyoro
huno tatonzi tiuye naye", anodaro
mumwe murume Tutsirai anobva
abuda hake panze paanonzwa ruzha
ruzha rwaiitika pamba pavo "
Manetswa nei nhai vanhu vamwari
munoda kubatsirwa sei", anodaro
Tutsirai akamira pavheranda
akazembera madziro Vose
vanomboramba vanyerere pachibva
pazotaura kamwe kasikana kaiva
hanzvadzi yemufi "Tanzi tiuye nemi
mukoma naMambo izvozvi", kanodaro
kasikana kaye " Bepa kana jinda
raMambo nderipi pamuri apa
ndikwanise kusimuka pano kana
pasina zvinhu zviviri izvi handikwanise
kuenda kwaMambo kwamurikureva",
anodaro Tutsi achitambisa tambisa
kagumbo zvake Mhomho yangatanga
kuita mhere mhere zvisina ani
aikwanisa kunzwa kuti vaida kuzama
kutii

Vakazongotanga kushaika havo


zvishoma nezvishoma asi mai nababa
vaTaruvinga vakabva vananga zvekare
kwaMambo kundovaudza zvainge
zvataurwa nechikomana Tutsi Mambo
havana kuita nharo kana hasha
nezvavakanga vaudzwa zvainge
zvataurwa naTutsi Mambo vakabva
vanyorera Mai nababa vaTaruvinga
tsamba vachibva vanopa Tutsi

Dear Tutsirai

Munokumbirwawo kuti muwanike


musiwe mugovera mangwanani
nenguva dzepfumbamwe Kune nyaya
yakasvika mumaoko aMambo yokuti
murikunzi makauraya chikomana
chinonzi Taruvinga Saka tinoda kuti
nyaya itaurwe rujekerere paine hama
dzacho kana musiri mupari wemhosva
musimudzawo nhaurwa yenyu kana
paine kupomerwa kuripo Kana paine
vanokwanisa kukumiririrai munouya
navo zvekare Mambo vanoti
kusavepo kwenyu zuva iri kuchaita
kuti vatutsire mutongo wavanenge
vachida kukupa

Ndini wako anoremekedzwa

Jinda Guru: Matope

Tutsirai akabva awerenga tsamba iya


ndookubva agara hake pamutepfe
tepfe achinyatsogaya hake zano rokuti
aite Tutsi akanga atoomerwa
nehupenyu chaiwo

Zuva romugovera rakanga rakataurwa


naMambo Mangwende rakabva
razvika Chikomana chakafumo bata
jongwe muromo chakananga
kwaMambo Akazosara hake osvika
asi mhuri yokwana Taruvinga yakanga
yatosvika nechekare Paakasvika
vanhu vose vakabva vaudyura maziso
vakatarisa Tutsirai nevabereki vake
vachisvika Vakasvika havo vachibva
vagara havo kwavo vega sezvo
vakanga vatove mhandu nemhandu
pakanga pasisina kukwazisana kana
kutaura vose Nguva dzepfumbamwe
dzakasvika vachibva vadanwa kuti
vachipinda zvavo mukati
Jinda Guru, "Tutsirai nevamwe vake
vaauya navo huyai nechekurutivi
rweruboshwe uku kuchizoti mai
nababa vemufi nevamwe vawo
moenda henyu kurudyi uku
mungazorwa kana dare ratanga"
Jinda rinobva rapinda haro maiva
nekamwe kakamuri ndookubva abuda
akadungamidzana naMambo Mambo
Mangwende unosvika achibva agara
hake pachigaro chokuyevedza maningi
Anobva agadzira hake pahuro pake
achibvisa tumadzihwa twaigona
kuzomutadzisa kunyatsotaura Hana
yaTutsirai inobva yatanga kurova
nokuti ziso racho rakanga
rakamutarisa raiva dzvuku rino
hombe chairo zvichiratidza kuti
pakanga pasina kana nekunzwanana
kwose Mambo, " makadini vana vangu
kurisei kunobviwa"
(Kurinani hako changamire) munhu
wese anodaira
Mambo, "aihwa zvinotendwa chose
kunzwa mashoko akaisvonaka kudai
anonyautsa mukanwa Asi ndine
nyaya imwechete yakandiomesa mate
mukanwa Ndinoda kuziva munhu
anonzi Tutsirai ngaasimukewo
ndimuwone" Chikomana Tutsirai
chinobva chasimuka hacho chakaringa
pasi
Mambo, " tarisazve kuno chikomana
ndoda kuona hushingi hwakaita chiso
chako" Sezvo zvakanga zvataurwa
naMambo, Tutsirai haana kuita
nharozve akabva atarisa kwaiva
naMambo Mambo vanonyatsoringa
chiso chake zvakanaka naka vachibva
vazotanga havo kutaura

Mambo, "chiso chako zvachiri


chegwara wani nhai mukomana iwe
Chii chakakutuma kuti uzosvika
pakufunga kuuraya mabiako"
Tutsirai, " Mambo nyaya yacho
inoshupa kuti ndinyatsoitsanangura
nokuti inondirwadza zvakanyanya
kuitaura"
Mambo, "usade kutamba nepfungwa
dzedu chikomana unobvuma here kuti
une chekuita nerufu rwaTaruvinga"
Tutsirai, " changamire ndisingapedze
nguva yenyu ndinoda kukuudzai kuti
ndaida kuzama kubatsira Taruvinga
mushure mekunge ndamuona
akuvadzwa nechekare"
Mambo, " tingazivesei kuti urikutaura
chokwadi kana kuti urikunyepa"
Tutsirai, "mambo wangu ini hangu
handiwanzotaura nhema iricndiro
riniva idi randinokuudzai parizvino"
Mambo, " wati hauwanzotaura nhema
asi unotombotaura hako nhema
Nyaya yako irikumapurisa here"
Tutsirai, "hongu changamire nyaya
irimumaoko emapurisa"
Mambo, " regai timirire mutongo
wemapurisa kuti vanotiwo kudii"
Mambo akabva aita kuti nyaya
igumire ipapo vanhu vose vachibva
vabuda zvavo voenda kudzimba dzavo

KUPERA KWECHITSAUKO 3

CHAPTER 4

Panoti kupomerwazvausina kuita


ndipo pairwadza Tutsirai bedzi
Pakanga pasina hapo chokuita asi
zvaidzimba moyo nokusiya ronda
rakakurisa chaizvo Chakanga
changomirirwa naTutsira kuti mazuva
ake ekuti atongwe akwane zvawo
ongopiwa mutongo wake Zvaizobuda
musarudzo mushure mekunge
atongwa angaaakutozviziva nechekare
nokuti maitiro akaita murume
wekumubata akatakura Taruvinga
akamuratidza kunyangwe zvirimberi
Baba naamai vakewo vakanga vasisina
mufaro mudunhu umu nokuti
vaingigara vakarondwa kunyangwe
pese pavaifamba Vakanga vangova
vanhu vakashata munharaunda mavo
mese Rimwe ramazuva Runesu aova
aiteedzana naTutsirai pakuzvarwa
akatumwa hake kubindu kundotemha
hake mapuno nemuriwo wekubikisa
manheru Kunze kwakanga kwati
svibei hako mwanasikana akaita
zvinhu zvake achimhanya mhanya

Mwanasikana haana chaakanga aziva


kuti kumashure kwake aiteerwa
nevakomana vanova hama
dzevabereki vemufi Akati apedza
hake kutanha zvainge atumwa akabva
apinda hake munzira onanga kumba
kwavo Aripakati pokufamba anobva
anzwa mutsindo kumashure kwake
Mwanasikana anotenderedza mutsipa
wake zvishoma nezvishoma achibva
aona kuti kumashure kwake kwaiva
nevanhu vaviri vaimutevera Haana
kurohwa hake nehana zvakanyanya
akabva atanga hake kufambisa
Akabva asvika pamharadzano
paiparadzana nzira achifunga kuti
pamwe vaizotora imwe nzira isiri
yaaizoenda nayo Akabva afambisa
achisvika pamharadzano paye achibva
atora hake nzira yaienda kumba
kwavo Achangoti fambei anobva
acheuka kuti aonevanhu vaviri vaye
nzira yavakanga vatora
Paakacheuka akabva aona vanhu vaye
vatorazve nzira yaaive ari apa ndipo
pakatanga kurova hana yaRunesu
Runesu anobva awedzera kufambisa,
apa akabga ocheuka cheuka hake
achitarisa vanhu vaye Anobva aona
kuti vakanga votofambisawo kudarika
iye Mwanasikana anobva atanga
kumhanya hake zvishoma Achitarisa
zvekare kumashure kwaaibva anobva
aona vanhuwo vaye vomhanya
zvekare Runesu anobva atanga
kuchimhanya zvino uku akanga
akaremerwa nezvinhu zvaanga
akatakura Vanhu vaimutevera
kumashure kwake vakanga vatove
pedyo havo Mwanasikana unobva ati
chitsoka ndibereke Haana
kwaakasvika kure sezvo akanga
asingagone hake zvekumhanya
nekuda kwemuviri wake waiva
wakanyanya kusimba maningi
Zvakanga zvamuomera zvino
mwanasikana wevanhu Anobva ati
airidze mhere zvichibva zvaramba
Anozamazve kuti adanidzire asi izwi
rakaramba kubuda Anoshingirira
zvekare kuwedzera kumhanya ndipo
paanonzwa hembe yake ichimarwa
marwa Paanonzwa izvi mwana
wevanhu simba chairo rinobva rapera
Anobva angoti dhambanyu
dhambanyu ndiye pasi puuu Anonzwa
mitsindo ichisvika paaive ari asi
anozvinzwira kure kure Vanhu vaviri
vaye vanobva vabatsirana
kumusimudza ndookutanga kuenda
naye Runesu akanga angoti rabada
uku furo richierera richienda
nekumeso Runesu akanga akaiswa
pamafudze uku asina kana
chimwechete zvacho chaaiziva
Akafambwa naye achiendeswa kumba
kwaigara vabereki vaTaruvinga sezvo
ndivo vaiva vatuma vanhu vaviri ava
Vanhu vaviri vaiva vakomana vaigara
pamba panaTaruvinga mumwe ainzi
Gobvu aiva hanzvadzi yaamai
vaTaruvinga kuchizoita Maguchwa
aiva mushandi pamba pavo zvekare
Vakasvika vachibva vagadzika Runesu
pasi, amai vaTaruvinga vanorohwa
nehana vachiona Runesu angori zii

"Kasi mamuuraya here imi chii


chamaita kundiigira chitunha chakadai
hee munondishura asi, izvozvi
takuranani nemunhu wenyu muone
zvekuita uye muchazvimiririra mega
mirai muone henyu", vanodaro mai
vaTaruvinga vachipopotera vakomana
vaviri " Aihwa kani Mhai sandizvo
haana kufa asi angofenda chete chete
haana kufaba", anopindura hake
Maguchwa achinabga kwaiva
nemugoro wemvura Anobva ateka
hake mvura yake ndookufamba
achienda kwaiva kwakarariswa
Runesu "Mudirei mvura iyi amuke",
anodaro achivatambidza zikomichi
zihombe rakanga rizere nemvura
Vanobva vatanga kumudira dira
mvura kumeso Pasina chinguva
Runesu anobva afefemuka hake
Anobva atarisa mudenga haana
chaakanyatsoona chisvinu nokuti aiva
madzerere ega ega aaiona Akabva
amuka achipukuta pukuta maziso ake
achibva aona kuti maisava mumba
mavo Mwanasikana anobva
aikwetsura mhere isina ani
akambonzwa Anobva agarwa
nembama yakamurwadza zvikuru
achibva anyarara

"Ndikangokunzwa uchishama ziganwa


rako iroro ndirikukupisa nemoto Ibva
watonyarara hako kuti ziii Ziva kuti
uchazobuda kana kubva pano
mushure mekunge vabereki vako
varipa ngozi yekuuraiwa kwakaitwa
mwanakomana wedu pano
nehanzvadzi yako Tutsirai Saka
ndinofunga kuti waakuziva chaita kuti
uve pano mwanasikana
Hatingambofarawo nezvamakaita
mwana wedu kutitorera wepamoyo
pedu, kutora munhu aitiriritira pano,
muchakwanisa here kutitengera
chikafu chokuti tirarame nacho",
vanodaro mai vaTaruvinga vakavhura
ziso jena jena raioneka nemurima
nekuchena Kuchitiwo maziso vaiva
nayo ano akakura kunge maranjisi
chaiwo Runesu akangotanga
kungoeredza misodzi apererwa
nezvaanga audzwa nemukadzi aiva
nehutsinye husina ani akambonzwa
Vakanga vafunga zvino zvekuti vabate
Runesu kana vamubatabvogogara
naye vakamuchengeta Kana
vazoripwa vozomubuditsa paanenge
ari Vabereki vaRunesu vanoina
mwanasikana wavo anonoka kudzoka
Vanobva vagaya zvokuti vachipinda
mumugwagwa kuti vaone zvainge
zvanonotsa mwanasikana wavo
Vakanga vabatira hana yavo
mumaoko nokuti zvakanga zvisina
kumbobvira zvakaitika Vakapinda
munzira vakananga kubindu kuya
Vaakuda kusvika kumharadzano iya
vanobva vaona chipepa chemuriwo
chiripasi mapuno akazara munzira
akapwanyika pwanyika Hana dzavo
dzinotanga kubika manhanga
Vanobva vapererwa nokuti kunze
kwaiva kwadoka saka pokutangira
chaipo kuti vamutsvage Runesu
vakapashaya Izvi zvakavasvota
zvikuru kunyangwe misodzi chaiyo
yaingoyerera semapooma mumatama
Tutsirai haana hake kuvhunduka
nazvo aiziva kwaitova nehanzvadzi
yake Akabva adzokera hake kumba
kuti agadzirire kuenda kwaaifungidzira
kuti ndookwaiva naRunesu Akatanga
hake kumhanya akananga kumba
kwavo kundotora tsvimbo yake
yaaivhimisa Nenguva pfupi pfupi
akanga asvika kumba kwavo
nechekare Akabva asvooronora ino
tsvimbo yakanga yakavezwa
nenyanzvi iine musoro wakakura
sebudzi chairo

"Chandakatadza chaicho ndachishaya


ini, shuwa vanhu kundiitira mashura
namanenji akadaisoo Zvino kana
vachida kunetsana neni kana Tutsirai
ngavangonangazve mwene wazvo
Zvino vonzvenzvera kuvana vasina
kana chavanoziva kana
chavakavatadzira Runesu
mwanasikana wangu atopinzwa
parumana nzombe chaipo zvino
otanga kutambudzwa baba vake
naamai tichiripo here Kutotanga
hunherera vabereki vake tichiri
vapenyu saizvozvi Mwari
ndinokumbira muchengetedzewi
mwanasika wangu ndinototarisirawo
pfuma nevazukuru paari ipo paye",
vanodaro mai vaTutsirai vachiungudza
havo vakanga kumba kwavo Vaiita
kufamba havo zvishoma nezvishoma
misodzi ichingodonha yega zvayo Uku
makumbo akanga asisasimudzike
vaiita ekuzvuva Chikomana Tutsirai
anomhanya hake akananga kumba
kwanaTaruvinga Anobva asvika hake
pedyo nemusha achibva ananga
mukakomo kaiva parutivi rweimba
yavo yekubikira Anotanga hake
kusunga ndandi dzake akagara
mumuti waiva mukakomo kaye
Anopedza hake achibva ajamba
nemamwe mapazi kuzama kuda
kunanganisa nepamusiwo weimba
yanaTaruvinga Anogara hake
akamirira wese anoda kungobuda
pamusiwo obva airegedzera hake
ndandi yakananga kumunhu
Sezvineiwo chikomana Maguchwa
chinobva chafamba chakananga
hacho pamusiwo chitarisa tarisa
kunze kuti hakuna chaibako here Izvi
zvaiva mumaziso echikomana Tutsirai
Tutsirai unoitatamura ndandi
yakananga kunaMaguchwa Simba
rake rose rinoperera pandandi ipapo
achibva airegedza yakananga
pamukova paye
"Yohwee maihwee ndafa ini", anodaro
Maguchwa agarwa naro dombo rainge
mhepo chaiyo Vese vaiva mumba
vanobva vasimuka vachienda paiva
parara Maguchwa uku ropa rakanga
riyerera zvaro sezvo akanga
anyatsonangwa musoro chaiwo pedyo
neziso Nenguva pfupi pfupi chiso
chakanga chazvimba zvino yangiva
mhere mhere pamusiwo wemba

Paiitika mhere mhere yese iyi


chikomana Tutsirai chaitora zvekare
rimwe ibwe chichiisa pandandi
Anobva aikakata nesimba rake rose
zvekare Anoiregedza yakananga
pamusiwo pakanga paunganwa paye
Ibwe rinouya zvekare semhepo
richibuditsa ruzha rwakanzikwa
nemunhu wese Munhu wese zvake
akanzwa ruzha urwu rwuchiitika
akabva asimuka achibva amira Ibwe
harina kumira kuuya haro rakabva
rananga chaipo panodya Akanga
arowa zvino vaiva mai vaTaruvinga
vakanga vanangwa muromo chaiwo

KUPERA KWECHITSAUKO 4
CHAPTER 5

Zvakanga zvavakuitika pamusha apa


zvaitoda kutozvionera pamhino
sefodya Yakanga yongova bata
wabata pamba panaTaruvinga
Pakarohwa mai vaTaruvinga muromo
vakaikwetsura mhere ungati mwana
mudiki chaiye Mazino matatu akabva
ati pasi puu Ungazoti iropa here iroro
rakangaroyerera nehembe dzese
Vakabva vatoona kuti paive
patoshatisisa kwazvo Vanobva
vapinda mumba ndookuzarira musiwo
Chikomana hachina kumira kuita
zvachanga chavinga akabva atanga
hake kunyahwaira akananga pakaburi
kaive kakasiiwa kuti mhepo ipinde
mukicheni Akabva adzveta hake
nemadziro ndookusvika paive
nekaburi kaye achibva adongorera
achizama kutarisa paiva nehanzvadzi
yake Tutsirai anomhanyisa mhanyisa
maziso asi haana chaakaona Anobva
agodama hake mumadziro achiratidza
kupererwa maningi Anobva atanga
kunetseka kuti hanzvadzi yake
yaimbova kupi Achakachonjomara
kudaro anonzwa gonhi richivhurwa
zvishoma nezvishoma
Tutsirai unobva ati kwati nemadziro
asingadi kuonekwa Anonzwa
mutsindo uchiuya nekunerimwe rutivi
achibva asimuka ndiye chitsoka
ndibereke achinanga mukakomo kaye
Pakamhanya chikomana hapana asina
kunzwa mutsindo wake Vese vaiva
mumba vakabva vabuda mumba
vachida kuona kuti chii chaizvo
chakanga choitika paruvanze
Vakazosara vobuda zvavo asi Tutsirai
akanga atodya nekona kare
Vakazama kuringa mativi ose
vaingoona rima roga roga Tutsirai
akabva aenda hake kuseri kwemuti
kwaakutanga hake kuona zvese
zvaiitika pamusha apa nezvavaitaura
Akazodzika hake kakomo kaye achibva
aenda kumba kwavo Shungu
dzakanga dzizere paari
achingonetseka kuti angawane sei
kwaiva nehanzvadzi yake Moyo wake
waisambofungira kumwe kunhu aiva
nechivimbo chokuti hanzvadzi yake
yaiva panaTaruvinga Akafamba
dzamara asvika hake pamba pavo
achingotaura oga "Wanga
waendepiko nhai zijaya", vanodaro
amai vake vachimubvunza vaona
mutsvimbo waanga akabata
Anomboramba anyerere hake achibva
azodaira, " mumasango mhamha
ndoomandangandiri
Ndingaendepihangu" Mai vaTutsirai
vanobva vanyatsomutarisisa zvavo,
"ko mbatya yako yabvaruka nei kasi
wangawasangana nechikara here nhai
mwanangu" Tutsirai anobva atarisa
pakanga pabvaruka paye achibva
anyarara hake

Mai vake havana kumira kuongorora


mwana wavo Varipakati
pekuongorora vanobva vaona shizha
remuuyu raiva kumusana kwake
vachibva vaziva kwaanga aenda "
Waenda kwana Taruvinga iwe",
vanodaro mai vake vachimutarisa
chiso chake chakanga chakasuruwara
zvikuru Tutsirai haana kuda kuita
hake nharo nokuti kumba
kwanaTaruvinga ndiko kwega kwaiva
nemuti unonzi muuyu Akabva
angonyarara hake achibva atanga
kugeza maoko kuti adye chikafu
chemanheru Akatira chikafu chake
achibva andogara panze Musi uyu
hachina kumedzeka chikafu
akangorohwa musuwa mumwechete
achibva atoguta Semaziviro aiita
make vake kuti chikomana chaisasiya
sadza, musi uyu akava mashura
chaiwo "Usanyanye kunetseka
mwanangu mwari achanzwa kuchema
kwedu ari pakaanaka hake Runesu
shinga somunhu wemurume Tutsirai
zvino ukachema uriiwe ko ini
ndinozodiiii ndikazochemawo
ndinonyararidzwa nani", vanodaro
mai vake vachimubhabhadzira

Tutsirai anobva asimuka akananga


kuimba yake yaairara Akasvika
mumba make achibva azvikanda
pamagudza akaisa maji mudenga
misodzi ichingoerera ichienda
nekuseri kwenzeve Tutsirai
nehanzvadzi yake vainzwanana
chaizvo Izvi ndizvo zvaiita kuti
anyanyonetseka nekusavepo kwake
"Adenha mangwiro otokwinya chaizvo
hakuna mumwe angaita izvi kunze
kwaTutsirai nevabereki vake Manje
vanofungidzira kuti zvavandikuvadza
muromo kudai ndichamubuditsa here
Kuzvitembaka uku kupinza ruoko
mumukoko uzere nenyuchi Ini
ndinonzi chihera ini mwana wangu
haangauraiwe sehuku kudaro
nemumwe munhu anenge iye
Ndinorwadziwa zvikuru nerufu
rwemwana wangu Zvinonzi hazvo
rufu mutemo wamwari asi izvi
zvakaitika paTaruvinga hakunaba
mwari akadaro Zvinhu zvinorwadza
zvikuru kutorerwa jaya guru rabgu
pandanga ndatotarisira kuti patoone
muroora Mwana wavo Runesu ndiye
acharipa mabasa ehanzvadzi yake
Mafuta ese aaipihwa namai vake
achamafunga kunyangwe
neaakamborasa Achasara musoro
chete", vanodaro mai VaTaruvinga
nechemumoyo chitovewa havo
muromo wavo wakanga wazvimba
Pakapera mazuva matatu baba
naamai vaTutsirai vachingofamba
munharaunda vachibvunza Kwose
vakapekesha vakashaiwa asi pamba
pamai Taruvinga havana kusvika
vakapazeza sezvo paive nenyaya imwe
yaiva mudariro Mazuva akazoti
afamba zvavo, zuva rokuti Tutsirai
atongwe rakabva rachisvika zvino
rakanga rakamirirwa nemunhu wese
Zvaiva mberi Tutsirai aitozviziva hake
nechekare Vakafumo gadzirira havo
kuenda kukamba yemapurisa Havana
havo kutora nguva yakareba vakanga
vatopedza havo Vanobva vapinda
havo munzira vonanga kukamba kuya
Pasina chinguva vakanga vatosvika
havo panzvimbo Vakagara havo
kunze vakamirira kudeedzwa kana
nguva dzakwana Nguva dzaiita
sedzaitinhwa chaizvo, Tutsirai
akatozoshamisika otodeedzwa
nemumwewo mudzimai wechikuru
Akabva apinda mukati muya
kwaakunangiswa maiva muzere
mashefu chaiwo Achingopinda mukati
dzakabva dzatochena hadzo
mumaoko nemumakumbo Vabereki
vake vakanga vasara vakamira havo
panze vakamirira kuenda kwavaiziva
kuti ndiko kwaizotongerwa chikomana
Tutsirai Papera awa rimwechete
vakaona chikomana chichifamba
chakadungamidzana nemapurisa aiva
nepfuti Baba naamai vake
vanotangawo kuteera zvavo
mumashure zvishoma nezvishoma
Tutsirai akanga asisina kupfeka
mbatya dzaainge abva nadzo kumba
Parizvino akanga apfekedzwa dzino
dzekaki kuchiti kumakumbo akanga
asisina kana bhutsu achifamba
nedzake dzokuberekwa nadzo

Akabva apindwa naye munerimwe


zikamuri raiva hombe hombe chairo
Anoshamisika achiona hama
dzaTaruvinga dzakaita kuzara mukati
muya Paakanongopinda vanhu
vanotanga kuita mhere mhere
nekazeve zeve Chikomana chakabva
chazvikopinzwa munekamwe kabokisi
kaikwana vanhu vaviri bedzi Pasina
chinguva akabva aona vabereki vake
vachipinda Vakapinda havo vachibva
vagara kwavo vega vari vaviri Ziso
rakabva rabva nekuna mai Taruvinga
rakatarisa mai nababa vaTutsirai Iri
raiva ziso rokuratidza kufara kwazvo
nematanho akanga otorwa Mai
vaTaruvinga vakanga vakavhara
muromo nejira vasingadi kuonekwa
mavende avo avakanga vaanawo
"Makadini mhuri yeZimbabwe mose
muripano ini ndinoitwa Muchaya ndini
ndichange ndichitonga nyaya
yechikomana chiripamberi penyu ichi
Tese sezvatinoziva kana kuti
zvatakanzwa kuti chikomana ichi
ndicho chirikunzi chine chekuita
nerufu rwemushakabvu Taruvinga
Ndakamira pamberi penyu kudai ndini
munhu anova akasangana nemhondi
iyi yakasenga mufi ndichibva
ndamuisa mumotokari ska iye zvino
todawo kumubvunza kuti arikubvuma
here mhosva yake Uye ane
varikumumiririra here vakaona zvinhu
zvichiitika kana kuti ane gweta rake
richazomukavhira mhosva yake,"
rume riya rakambotura mafemo
richivhura vhura rimwe zibhuku raaive
akabata Anozoenderera hake mberi
achiti, "chikomana Tutsirai mhosva
yokuuraya Taruvinga iyo
yaurikupomerwa unoibvuma here
kana kut manyepo" Tutsirai
anomboramba hake anyerere achibva
ambigadzirisa pahuro
ndookuzopindura achiti, "changamire
nyaya yenyu irimunzeve ndainzwa asi
kupomerwa handirambi asi mupomeri
wacho ndiyani akaona chiitiko ichi
chichiitika ataure nemo nemo" Vanhu
vose vanomboramba vanyerere sezvo
vakanga vavhundutswa nekupindura
kwakaita Tutsirai Rume riye rinobva
rasimuka richibva rati, " ini ndakuona
uine mutumbi wemushakabvu waiitei
nawo" Tutsirai anobva akwenya hake
mhino nekasiyanwa achibva
apindurawo seizvi, " hazvaiita kuti
ndisiye chikomana Taruvinga
chiripakati pesango uye
ndakamutakura achiri kugomera asati
afa Shungu dzaitodawo kuti
ndimhanye naye kuchipatara arapwe
asi zvakangokonawo n'anga murapwa
achida Regai zvinzi tsitsi
dzinotsitsirira zveshuwa hameno kuti
kuita moyo wekuda kubatsira imhosva
here nhai Changamire " "Tingaziva sei
kuti waimubatsira kookana waida
kunomuviga tinoziva sei", anodaro
Muchaya achinyora nyora hake
mubhuku riya Tutsirai anobva atanga
kugaya hake hanzvadzi yake
Akaramba achishushikana nenyaya
yokuti hanzvadzi yake ingawanike sei
Misodzi inobva yangotanga kuerera
yega nematama Zvose zvakanga
zotaurwa naMuchaya hapana kana
chaakanzwa Akazoita kutovhunduka
apihwa mbama nemumwe mupurisa
wechikadzi " Zvataurwa wazvinzwa
here iwe ukuchemei ipapa munhu ane
chivindi chekuuraya munhi
anochemei", anodaro muourisa
wechikadzi uya achizunza zunza
Tutsirai Haana hake chaakakwanisa
kuita Tutsirai, akangomutarisa achibva
angosekerera hake asi mumoyo
aidzimbikana kwazvo Anobva
achipindura hake pekupedzisira achiti,
"zvamunenge maronga ndimi
munoziva zvamunenge mazviitira asi
chokwadi chandinoudza munhu wese
akateerera pano ndechekuti ini
naTaruvinga taiva shamwari
neshamwari kunyangwe kubhora
taienda tese takamiririra dunhu redu
kunyangwe kunotsvaga hedu
tuvasikana taienda tese Asi kana
maronga kuti ndinechekuita nerufu
rwake munongopedzisa henyu asi
chandinoziva ndechekuti auraya ane
ngozi Uye ngozi haimbofa yakatizika
kana kuhwandika ichazongokuratidzai
henyu mupari wayo mhosva" Akabva
anyarara hake Tutsirai akamirira kuti
Muchaya ataure

KUPERA KWECHITSAUKO 5

CHAPTER 6

Nzeve dzemunhu wese


dzangadzangomira mudenga sedze
dhongi vakamirira kunzwa kuti Tutsirai
aizopiwa mutongo wakamira sei
Mukoti makambotora chinguva vanhu
vakanyarara kuti zii pasina kana
karuzha kamwechete kainzwika
Papera maminitsi akati kuti vanhu
vakangonyarara pakabva papinda
mumwe murume mutema tema
setsito chairo Akasvika achibva amira
hake pamukova achibva atanga hake
kutaura zvaainzwa kuda, "mhondi
yanetsa ndeipi apa ndiiwonewo
Nhunzvatunzva mharapatsetsetse
yomunhu, chokwadi kushinga kuuraya
munhu sehuku Ndauya pano
ndinoitwa Sajeni Zowa uye ndini
ndave kutonga nyaya yechikomana
ichochi chanetsa kunyangwe
paindaneti chaipo Kushoresa
nharaunda ino isu tiripo kudai Uyu
ndiye munhu achazoudza vanhu kuti
munhu haauraiwe sehuku Aripi
ndimuone? Anotanga kufamba
achienda kwakanga kwakamira
Tutsirai Akasvika paye achibva
atarisana naTutsirai kumeso sevanhu
vanotoda kurwa chaiko Tutsirai
anorambawo akamutarisa kumeso
kwakewo achifinyama finyama Sajeni
vanobva vasuduruka vachiombera
havo maoko vachiseka
"Ndashamisika ini, chiso chako
hachina kufitana nemabasa akaipa
kudaro zvino ndirikuda kuti
unyatsondiudza kuti chii chaizvo
chakanyatsoitika kusvika pakuzoti
uuraye mumwe wako
Mangamanetsana here kana kuti
mangamatorerana vasikana nekuti
kazhinji
ndizvo zvinowanzoitika Saka
nyatsotora nguva yako chikomana",
vanodaro sajeni Zowa vachinotora
havo chigaro chaiva pedyo
naMuchaya Tutsirai anotanga hake
afemera padenga achibva atanga
hake kutsanangurazve mafambiro
akaita nyaya yake "Mambo wangu
ndinokutendai nekuva pano asi
ndinoda kutsanangura nyaya yangu
zvizere asi irimuchidimbu
Ndinobvuma kuti Taruvinga akazofira
hake mumaoko angu mushure
mekunge ndamuona pakati pesango
ndichitotsvagawo mombe dzababa
vangu Hazvaiita kuti ndimusiye pakati
pesango kudaro akangoti rabada
Ndakamuona kungori kugomera
kwega kwega ndikazama kumutaudza
kuti ataure zvangazvaitika asi
manonoko ndiwo andangandadya
hancu nokuti akanga asisagone
kunyangwe nekushama kwose
Ndakatakura mumwe wangu kuti
ndimhanye naye munzira
ndigowanawo motokari yaikwanisa
kumumhanyisa kuchipatara
Hazvaigona kuti shamwari yangu
ndiisiye pakati pesango nokuti
aizogona kuzondinetsa zvekare kuti
sei ndakamusiya pakati pesango
kudaro Ndakazosvika pamugwagwa
paye asi akanga atoshaya nechekare
Asi kushaya kwake akangokwanisa
kuzotaura mazwi ekuti, " VANHU
VAVIRI" achibva angonyarara kuti ziii"
Ndiwo mamiriro akaita nyaya yangu
changamire", anobva apedza hake
kurondedzera nyaya yake achibva
anyarara Murume uya anoramba
anyerer hake achizeya zvaainge anzwa
zvichitaurwa nechikomana "Nyaya
yako ndainzwa chikomana asi iwe
ikozvino wavakubatwa nemhosva
wekudziya moto wembavha Hameno
kuti unotiwo kudii nazvo chikomana",
anodaro hake Zowa akaturika gumbo
pamusoro perimwe " Ndinotoda
kunzwawo kwamuri nokuti ndinodaira
kuti pangu pandangandichifanira
kutaura ndapedza", anodaro Tutsirai
avakuita zvehasha nekuti akanga
orwadziwa nekumira kwaangaakaita
Vanhu vachakanyarara mai vaTutsirai
vanobva vasimudza ruoko Zvinova
mumaziso aMuchaya achibva avati
vataure "Makadini mhuri
yeZimbabwe ini ndinoitwawo mai
vaTutsirai amire kumberi kwedu uko
Ndinodawo kubvunza kuti
zvinotenderwawo here kuti unoba
mwana wemunhu nokuda kwekuti
pane mhosva iripo", vanobva vagara
zvavo pasi "Nyaya yamataura
yakaisvonaka chose asi haitaurwe
nokuti tiripakati peimwe nyaya
Ndichireva kuti kana nyaya ino yapera
mozouya motaura nyaya yenyu kwete
mukoti muno", anodaro Zowa
achitsenga tsenga hake kamuti kaiva
mukanwa make Muchaya nguva yose
yaitaurwa tumwe tunyaya twese utwu
akanga akanyarara hake
akazongozimuka nerake zigara mwoyo
rokuti, " eee varimuno nyararai tione
ndaakuda kukupai mutongo
watichapa chikomana ichi Tutsirai
achaita makore anokwana makumi
maviri arimuchitorongo asi seduwo
vanhu vakuru tichamubvisira mamwe
makore anokwana kuita matatu"
Tutsirai anobva agara pasi
kwaakutanga kusvimha misodzi Mai
nababa vake vanobva vangobuda
kwavakutoenda kumba kungori
kusuwa kwega kwega Kwakava
kufamba kwekutsatsarika tsatsarika
vabereki vachinanaira havo vachienda
kumba zvavo

Vanhu vose vanobva vaparara havo


kwavakuenda kudzimba dzavo Mhuri
yokwana Taruvinga vakanga vofara
nemutongo wangawapiwa Tutsirai
Vakabva vafamba havo vakananga
kwavairaramira vari Vachisvika
chavakatanga kuenda kukamuri
kwaiva naRunesu kuti vanomuudza
zvakanga zvabuda kwavanga vaenda
"Hesi kani mwana wababa naamai
Tutsi rega ndikuudze kuti hanzvadzi
yako yapiwa makore mangani",
vanodaro mai vaTaruvinga vakabata
Runesu pahuro sokunge vaida
kumudzipa Runesu haana
chaakapindura kunze kwekuvasvipira
mate kumeso " A-a-a mwana
unondishura iwe kundisvipira
madzihwa ako ini manje", anodaro
mukadzi mukuru achiregedzera ruoko
rwake kuna Runesu Runesu semwana
mudiki akatanga hake kuchema
neshungu asi chokuita ndipo pakanga
pasina hapo Ndinokotamisa huso
hwangu kwamuri ishe ndichipfugama
namabvi nemagokora angu
Varegererei mwari hapana
chavanoziva Vanhu venyu asi
vanotadza zuva nezuva
Ndinokumbira muvaregerere zvivi
zvavo zvose ishe wangu Ndinovimba
muchaita sezvandareva Amen ",
wakava munamato wakaitwa
naRunesu misodzi ichiramba
ichingobuda mwana aripapfumvu
yake oga Hupenyu hwemwanasikana
wakanga wamuomera chaizvo Zuva
akanga oriona aakuda kuinda kuimba
huru bedzi Uku chikafu chaiuya
kamwechete pazuva Zvokudya
achifashura zviye zvakanga zvapera
kuchiti iko kusimba kwaainge akaita
kwakanga kwavakupera zvishoma
nezvishoma Mwanasikana akanga
asisina chokuita hake Rimwe
ramazuva Runesu akabuditswa hake
achinzi amboonawo zuva sezvo
pamba pakanga paine madyo
ekuzvarwa kwemun'ina waTaruvinga
akanga aine bhavhadhe musi uyu
Vanhu vaidya zvavo nokunwa chikafu
chiri mavhu nemarara pasingadanwe
anonzwa Vanhu vachifara zvavo
kupemberera mwana wavo akanga
akura Runesu panguva iyi aiongorora
hake mamiriro akanga akaita vanhu
Akabva aveteredza hake vanhu
akagara hake pake oga Runesu
akanga akasungwa makumbo
nerwodzi Akabva atanga hake
kusunungura zvishoma nezvishoma
hake pasina kana mumwe chete hake
aizviona Anobva asimuka hake
zvishoma nezvishoma kwaakutanga
hake kunyahwaira Akanga afunga mai
nababa vake chokwadi

Anobva adzveta hake nemadziro ndiye


nderere kwakawanda Achingoti
pakawanda akabva ati chitsoka
ndibereke akananga kumba kwavo
Hamenowo zvinongoita zvinhu Mai
Taruvinga vakabva vaisawo ziso
pakanga pasimukwa naRunesu
vachibva vashamisika vachiona pasina
munhu "Heyi heyi heyi Runesu aripi",
vanodaro mai vaTaru vachibata
musoro Vakomana vaivapo vachinzwa
vanobva vabuda nemativi akasiyana
siyana vachimhanya Runesu akabva
anzwa ruzha rwakanga rwavakuitika
kumashure Mwanasikana haana
kumira kumhanya asi akanga oneta
hake nokuti simba chairo rakanga
ravashoma nekusadya zvinogutsa

KUPERA KWECHITSAUKO 6
CHAPTER 7

Yakava zhowe zhowe vanhu


vachijamba zvikwenzi kurikuzama
kuteera Runesu akanga apfanyangura
matama enzira nechekare Ukuwo
Runesu akanga onzwa zvino mhere
mhere yaibva shure kwake Sezvo
akanga anetawo zvake akabva
ashingirira kusvika pamharadzano iya
Akabva asvika paye ndiye pote
nechikwenzi achibva ambozorora
zvake Ariseri kwechikwenzi kudaro
anonzwa mazwi achibuda
pamharadzano paye "Kumberi kwese
uku hakusisina ndinofunga kuti
hameno kumashure kwaapinda
muzvikwenzi Ngatidzokerei tichitarisa
zvikwenzi zvese", akava mazwi aibva
pamharadzano paye uku zvirimunzeve
maRunesu Sezvineiwo zvinoita mwari
chikwenzi chakanga chiina Runesu
vakabva vachisiya ndookutanga
kuguma guma zvaiva mberi Runesu
akamboramba akachonjomara
pachikwenzi paye achimirira kuti
vakomana vaye vafambe chinhambwe
Akabva asimuka ndokutanga
kumhanya zvekare Pavakomana vaviri
vaya mumwechete anobva acheuka
kumashure achibva aona chisikana
chichirapuka rapuka muuswa
achipinda mumugwagwa Izvi zvakava
mumaziso echikomana chiya Uyo
handei uyo abuda apo, chimwe
chechikomana chinobva chadana
mumwe wacho kwaakutanga kuteera
Runesu uya Runesu achinzwa izvi
anobva ati chitsoka ndibereke
Kumhanya kwaRunesu kwaiva
kushingirira chaiko Kwaitova kutema
muti nebanga chaiko Aingomhanya
pano neapo obva atotanga kufemera
padenga furo ravakutoyerera Runesu
akanga ari musikana akanga akasimba
chaizvo chino chivhindikiti chigwindiri
chaicho, asi ikozvino akanga ava
tsanga chaiyo mafuta ose akanga
apera Mwanasikana anobva
ambozama kushingirira kumhanya asi
zvakakona n'anga murapwa achida
Akangomhanya chinambwe chidiki
diki achibva afenda ndiye pasi puu
Chiriporipotyo vakomana
vachisvikawo kwaakutosimudza
chisikana chiya kwakudzokera naye
kumba kwanaTaruvinga Sezvineiwo
izvi zvaiva mumaziso echikomana
chaitozvifambirawo nemakura
Mukomana uyu ndiye akabva
amhanya neshoko kuenda naro
kumba kwababa naamai vaTutsirai
Baba naamai vaTutsirai vachinzwa izvi
havana kudya manonoko vakabva
vamhanya nechikomana chiya
kukamba kunoisa nyaya yavo
mumaoko emapurisa Mapurisa
vanobva vagara zvavo pasi vachizeya
nyaya iya nokuda kunyatsoona kuti
vangabate sei nhunzvatunzva idzi
Vanobva vaudza havo baba naamai
vaTutsirai kuti vachazodzoka kwavari
mushure mekunge vaita tsvakurudzo

Ukuwo vakomana vaye vanobva


vasvika zvavo vakatakura Runesu
pamberi paamai vaTaruvinga Amai
vaTaruvinga vanobva vatanga zvavo
kuseka vachiona vakomana
vachidzoka vakatakura chisikana chiya
"Kwawanga uchiti urikuenda ndekupi
manje chiona wangodzoka zvekare
pano Ikozvino handifungi kuti zuva
uchariona zvekare", kwakava kutaura
kwaMai Taruvinga vakamira zvavo
pamusiwo uku vakabata muchiuno
Runesu anobva afefemuka
kwaakumatambidzwa ano mambama
maviri Mwanasikana muviri wae
wakanga warukutika anobva atotanga
kuchururuka mututu kwaakupinda
zvekare pfumvu kumurapa kuti
mututu uya umire Varipakati pekuita
chipatapata chekuti vamise mututu
waRunesu pamba pakangoerekana
pasvika motokari ichibva yasvikoti
pachivanze tswiiii Pane mabasa ose
aiitwa naamai vaTaruvinga murume
wavo akanga asingafarire zvaiitwa
nemudzimai wavo Mapurisa anoita
chipatapata kumhanyira pamusiwo
wekicheni kwaakubata vanhu vose
vakanga vari mumba muya Motokari
yakarohwa yakananga kuchipatara
kumhanyisa chisikana Runesu
chakanga changoerera ropa Motokari
yaiva mhepo chaiyo kumhanyira
hupenyu hwaRunesu Vanobva vasvika
kuchipatara kwaakunanga naRunesu
muchipatara kuti arapwe Motokari
inomutswa zvekare yakananga
kukamba yemapurisa Mapurisa
akanga avakuita basa ravo nemazvo
chaizvo Pavanhu vakabatwa
nemapurisa paiva naamai nababa
vaTaruvinga nezvikomana zviviri
zvekubata Runesu Panguva dzose idzi
dzakanga dzakachena zvadzo dzino
dzinopenya chaizvo
Vanobva vaburutswa mumotokari
muya kwaakupinzwa musero
Kunobva kwabuda uno mupurisa
wechikadzi akabata mboma
kwakurova vakomana vaviri vaye
mbiri-mbiri kumusana Mukadzi
anoti asvika panaamai vaTaruvinga
achibva ashamisika kuti kochembere
inodei mumaoko emapurisa
Mupurisa uya anobva abvunza kuti
chembere idzi dzakanga
dzambobatirwei Wakadini mwanangu
ndirikutoshayawo kuti chandabatirwa
chiii Mupurisa uya anobva atanga
zvake kuseka kwaakudira mai
vaTaruvinga mbama Ziso rinobva
panamai vaTaruvinga rakananga
kumupurisa uya kwakubuditsa
mashoko ekuti, mwanangu
zvakangofanana nekuti warova mai
vako Kana zvichikodzera kuti varohwe
kana vasina kuita zvinhu zvakarurama
vanorohwa Anodaro mukadzi uya
achibva asvika pakanga pakagara
baba vaTaruvinga Nemiwo baba
taurai tinzwe Baba vaTaruvinga
vanobva vatanga zvavo kutaura,
"mwanangu ini ndaitawo mudiki
panyaya iyi ndakambozama
kuvataurira kuti kwazvichaperera
ndiko kunorwadza asi ndaitoita
sendicharohwa" Vanobva vanyarara
havo ndookutsikitsira Mupurisa uya
akabva avadana vose kuti vamutevere
Vanobva vagariswa mukamba kano
kaiva netsikidzi dzaiita kunanaira
zvemachokwadi Mupurisa uya anova
abuda kwaakuenda hake ndokusiya
avaudza kuti aizodzoka achienderera
mberi nenyaya yavo
nerechimangwana racho Ukuwo amai
nababa vaTutsirai vanobva varidzirwa
nhare kuti vaende kuchipatara
kwakanga kwaiswa mwasikana wavo
Vaviri vanofara vachinzwa mashoko
aidai kutapira munzeve Hapana kana
umwechete zvake akafunga kana
pfungwa dzokugeza vose
vakangoteerana vakanabga
kuchipatara kuya Pasina chinguva
vanobva vasvika zvavo pachipatara
chaiva mutaundi maMurewa
Sezvavakanga vaudzwa vanobva
vananga kwaiva nemwana wavo
Vaviri vanoshamisika vachiona
mashura nezviratidzo zvavakaona
Mwana akanga aita kuperezeka
serutsanga rurimumvura chairo
Misodzi inoerera vachiona mwana
wavo Pasina chinguva chiremba
anobva asvika kwaakutaura
nevabereki vaRunesu kuti vambobuda
havo zvishomanana vawane kuita
zvavaida Pasina hapo chinguva
anebasa rake anaro chiremba
vakanga vatopedza havo kwaakusiya
audza vabereki kuti pakanga
pavakudiwa ropa rokuti vawedzere
mumuviri waRunesu sezvo akanga
asara ropa rakati wandei Vaviri
vanobva vashaya zvino pokutangira
sezvo vakanga vasina kana mari
chaiyo yokuti vakwanise kuwana ropa
rakanga richidiwa kuti ripiwe
mwanasikana wavo Baba vaRunesu
vanobva vabuda havo chinyararire
vakananga kumba sezvo vakanga
vaine kapfimbi kavo kaiva zvako
kudanga remombe Vakasvika
ndokutora zvavo badza kwaakunanga
kudanga remombe pakati paro
ndokutanga kuchera

Vakabva vasvika paiva nechigaba


chavo ndookutora mari yaidiwa
kwaakupinda munzira kunanga
zvekare kuchipatara kuya Zuva iri
makumbo akaita seachazvimba
nokufamba Murume akananaira nayo
nzira akananga kuchipatara Vakabva
vasvika zvavo ndokutambidza adzimai
wavo mari iya Amai vaRunesu
vanoshamisika zvikuru
vachitambidzwa mari nemurume
wavo Mudzimai anotenda murume
wake asi chakazonyanya kumudya
moyo ndechokuti mari yose iyoyo
vakanga vaiwana kupi Uku maoko
emurume wavo aiita kunhuwa ndove
yoga yoga

Munyori

Mwari akanga anzwa zvino


munyengetero waigaroteurwa
naTutsirai kuti hanzvadzi yake iwanike
Uku muchizarira maiva Tutsirai
sandikuperezekawo ikoko Akanga
angosara musoro chete pamwedzi
maviri yaakanga agara mujeri Uku
basa iri aiitiswa rino rinorwadza sezvo
ainzi imhondi dzinesimba kwazvo
sakadzinofanira kuseenza

KUPERA KWECHITSAUKO 7

CHAPTER 8
Hutano hwechikomana Tutsirai
hwakanga hwakuita huchiderera
zvishoma nezvishoma Zvaanga ajaira
zviya zvekudya madiro, mujeri
makanga musisina izvozvo Uku
vabereki vake vaipota vachichinjana
kunomuona vakabata havo chikafu
chokuti adye Zuva rechimangwana
rakasvika Mai Taruvinga vakanga vaita
zvino kuguta nehasha nokuda
kwetsikidzi dzakarara
dzichivashungurudza husiku hwese
Mupurisa wechidzimai uya akanga
asiya avaudza kuti aizodzoka
achipedzisa nyaya yavo musi uyu
haana kuuya kukamba aivawo
nerimwe basa guru raaiita Vanobva
varara zvekare musero muya uku
nzara zvino yakanga yavaruma ino
yakakora chaiyo Kumba kwakanga
kwasara zvivana zvidoko zvokuti
hapana kana umwechete zvake
akafunga kuvaendesera chikafu
Vakafuma zvekare varimo
kwaakuchizoti mangwanani
ndopavanzwa gonhi ravakuvhurwa
Mupurisa wechidzimai akanga auya
zvino kuzopedzisa zvaakatanga Teerai
shure kwangu anodaro mudzimai uya
achinanga kuhofisi yake Mudzimai
aizvinzwa zvake iyeye ungati
akatakura Zimbabwe nezvicherwa
zvayo Aifamba achiita kunge munhu
arikunyangira, kunge pasi panopisa
Vese vanoita chipatapata vachiteera
shure kwemudzimai uya Mudzimai
aiziikanwa nezita rokuti Natasha asi
akanga akaroirwa zvake Semunhu
akarwadziwa nekuberekabaida
kunyatsopa mutongo unoenderana
nevanhu ava Anobva asvika zvake
muhofisi muya kwaakutanga kunyora
nyora zvake bhuku achibva audza
vanhu vana ava kuti vaizodiiwa kukoti
svondo rinoteera Vanobva vabuda
zvavo baba naamai vaTaruvinga
nevakomana vaviri vaye
kwaakudzokera zvavo kumba

Pandaitaura ndaiitwa semunhu


anopenga chionai kwasvika nyaya iya
Iyezvino mangoti undundu sehuku
dzanaiwa manje Rinamanyanga
hariputirwi chokwadi chese
chinozongobuda, chionai mhosva
yaamumaoko enyu muchadiii apa
chembere inenge imi yoonekwa
ichigara mujeri zvinozova nechimiro
here Akanga ari mashoko aitaurwa
nababa vaTaruvinga vachizama
kuudza mudzimai wavo asi vaitotaura
zvavo vega Vanoramba zvavo
vachienderera mberi nekufamba
vakananga kumba Ikozvino hapana
kana umwechete zvake akanga
achataura nemumwe Vosee vakanga
vangonyarara kuti ziii
vachingokungura kuti chavanga
vachazviitira chiii Musi uyu hapana
kudyiwa rinopisa mai vaTaruvinga
vakangosvika ndookunanga mumba
kwavakurara Vakanga voita sokunge
vachadzipwa nehasha Nekunerimwe
rutivi mai vaTutsirai vaiva mubishi
rokuti mwana wavo arapwe Sezvo
murume wavo akanga auya nemari
vakabva vamirira zvavo kuuya
kwachiremba Sezvowo chiremba
aiziva basa rake akabva angodzokawo
ndookubva agashidzwa mari yokuti
Runesu akwanise kuwana ropa
Chiremba vanobva vava zvavo
mubishi rokuti vawane kupa Runesu
ropa sezvo mari yakanga
yavamumaoko avo Vaviri
vaingonamatira kuti mwana wavo
akasike kupora Mai vaTutsirai
vakanga vakatotarisirawo pfuma
nemukuwasha pamwanasikana wavo

MUNYORI

Nguva hadzina kuda kumirira munhu


svondo rakanga rataurwa naNatasha
rakabva rakwana mai vaTaruvinga
nevamwe vawo vanobva vafumobata
jongwe muromo vakanga kumapurisa
kuti vawane kupiwa mutongo wavo
Vanosvika zvavo vachibva vambogara
panze pegedhe vakamirira kuti
vadanwe kana nguva dzakwana Hana
dzaiita dzichiwedzera kurova
nekufamba kwaiita nguva Nguva
dzepfumbamwe dzakabva dzakwana
vachibva vadeedzwa ndookunanga
kukoti kuti vapiwe mutongo wavo
Mutongi wenyaya haana kuda
kubvunza kana kupindurwa
zvakawanda wanda akabva angovapa
vose zvavo makore mashanu
varimujeri Izvi zvakavarwadza zvikuru
kupiwa mutongo wakavaremera
kudaro Vachangopedza kutongwa
dzakabva dzatochena mumaoko
nemumakumbo Vakabva vaendeswa
kukamba kwava kutobvisiswa
marokwe avo akanga akanaka
kwaakupiwa dzavo dzavanoda ivo
dzekaki nedzimwe dzakanga
dziridzichena dziine mitsetse mitsvuku
Zvakanga zvavaomera nokuti vana
vakanga vasara kumba pakanga
pasina aizovariritira nokuti kunyangwe
hama dzavo hapana aiziva kuti vaiita
mabasa akaipa kudaro Tutsirai akati
achifambawo zvake akananga
kwaakanga atumwa anobva
asanganidzana maziso nababa
vaTaruvinga zvinova zvakamunetsa
zvikuru kuti vaimbodei mujeri
Anongozvibvunza hake ega achibva
aenderera mberi nerwendo rwake
Akaita zvaakanga atumwa
ndookudzokera hake kwaiva nevamwe
Ukuwo baba vaTaruvinga nevakomana
vaviri vaye vakanga vakangopusa
zvino sezvo vakanga vasat vajairana
nevanhu vaiva mujeri Kwakadzamara
kudoka vakangogara panzvimbo
imwechete pasina kana kutsukunyuka
zvako Zuva rovira vanobva vadanwa
vachibva varatidzwa mavairara
makanga makazarawo vamwe
Zvekusema zviye zvakanga zvatova
zvekusvipira pasi Nguva yokudya
inobva yakwana chikafu chichibva
chaunzwa Baba vaTaruvinga
zvakavaremera kudya vakatarisana
nechimbuzi Vainzwa moyo wavo
uchiita kumira vobva vanzwa kuda
kutorutsa chaiko

Vakashamisika vachiona nenguva diki


diki Tutsirai akanga atokanda ndiro
yake kwakadaro uko Tutsirai akanga
atojairana nehupenyu hwejeri imomo
Kuchitiwo mai Taruvinga zvaingova
zvimwechete, avo vaitova vakanyanya
vaitobva vatorutsa Vamwe vakadzi
vaivamo vaitoseka zvavo Makaparirei
mhosva kana musingazvigone
(ge-ge-ge-ge) vakadzi vaivamo
vanobva vatanga kuseka zvavo
vachirovana maoko

Ateya marihwa murutsva haachatyi


kusviba magaro Makarumwa
nechekuchera amai vangu Kuzvipinza
henyu mega munataisireva Vakadzi
vaiva mujeri umu vaiita kutaura
magara moyo vachitaura zvavainzwa
kuda, asi chakanga chiri chokwadi
hacho Kwazopera zvekare rimwe
svondo rimwechete Runesu akanga
avakunzwa zvirinani Anobva
abuditswa hake kuchipatara vabereki
vake vachibva vaenda naye kumba
Baba naamai vaTutsirai vakanga
vazere nemufaro kwazvo nokupora
kwemwana wavo Vachisvika zvavo
kumba mwoyo unorwadza kuti ko
vana vamai vaTaruvinga vairiritirwa
nani Kuvana vamai vaTaruvinga
kwakanga kwasara Fadzai akanga aine
makore gumi kuchiti vakomana vaviri
vaiti Kudakwashe naTendai
Kudakwashe akanga avakufamba
hake ake asati avakuenda kuchikoro
Kuchiti Tendai aiva mwana
wemunin'ina wavo akanga akashaya
mutsaona yebhazi zvose nemurume
wake Amai vaTutsirai moyo wavo
unorwadza vachibva vaenda
kundoona kuti vana vamai Taruvinga
vagere zvakanaka here Vanobva
vasvikotora vana vaye kwavakuenda
navo kumba kwavo Mai vaTutsirai
vakanga vaine mwoyo wakanaka
kwazvo Vanobva vatanga kuriritira
vana vaye mune zvakanaka
Vanombozama kuda kuchaya nhare
kuhama dzaamai Taruvinga nababa
vacho asi hapana kana mumwechete
zvake akada kuvabatsira kana kutora
vana vehama dzavo kuti vagare nadzo
Mai vaTutsirai vakangiti hazvina
mhosva vakangoenderera mberi
nepfungwa dzavo Vaipota vachiti
vakaenda kujeri kunoina mwana wavo
vachimuendesera chikafu vaibva
vatakurirawo baba naamai
vaTaruvinga Mazuva okutanga
zvainyadza kuti vatambire chikafu
chaiva chauya naamai vaTutsirai asi
nokuda kwenzara hapana zvavaiuta
vakazogumisira vavakutambira Asi
mai vaTutsirai havana kuda
kuvataurira kuti ndivo vakatora vana
wavo vkangoramba zvavo vanyerere
KUPERA KWECHITSAUKO 8

CHAPTER 9

Ane moyo wakanaka akaropafadzwa


namwari Mai vaTutsirai havana
kuda kusiya vana vaMai Taruvinga
vachitambudzika nokuda kwemabasa
evabereki vavo Vanotanga havo
kugara nevana vaye mune zvakanaka
Machengetero avaingoitawo vana
vavo ndiwo mamwechetewo
avaingoita kuvana vakanga vakasiiwa
naamai nababa vaTaruvinga Vana
vaigara havo munezvakanaka pasina
mhere mhere kana kutukwa
Vaingovadzidzisa nekuvapawo
chokudya chaidyiwa nevana vawo
Nerimwezuva vakafunga zvokunanga
havo kuchikomo kundotsvaga huni
Vakabva vatorana naFadzai
ndookupinda havo munzira
vakananga kwaiva nechikomo
kunova kwavaiwanzotsvaga huni
kazhinji Vaviri vakafamba zvavo
vachitaura nyaya vachiseka Zvose
zviya zvokutsvagirwa huni naTutsirai
zvavakanga vajaira pakanga pasisina
Vakapinda zvavo muchikomo
kwaakutanga kutsvaga havo zvikuni
zvavo vachiunganidza Havana kutora
nguva yakareba vachitsvaga zvavo
zvikuni pasina nguva vakanga
vatopedza nechekare Vakabva
vatsigisa havo Fadzai kake kasvinga
kwaakupinda zvavo munzira
vakananga kumba Kumba vakanga
vasiya Runesu nevana Runesu akanga
asati hake anyatsosimba zvokuenda
kundotsvaga huni Varipakati
pokufamba zvavo vachienda kumba
Hapana kana mumwechete zvake
akaona kuti mberi kwakanga kuine
chikara Vakaramba vachibwereketa
havo nyaya uku amai vaTutsirai ndivo
vaiva mberi "Baba vangu shumba
imi", vanodaro amai vaTutsirai
vachisvetukira kwakadaro Vanobva
vawisira huni dziye dzavanga
vakatakura pasi Kwaakutarisa chinhu
chavakanga vatsika Vakabva vaita
mahwekwe nayo ino yakareba kwazvo
yakakora kunge gumbo raamai
vaTutsirai Iyowo payakatsikwa
yakabva yaita uturu kwazvo Kukura
kwose kwaamai Tutsirai vakanga
vasati vambosangana nenyoka
yakakurisa kudaro Nyoka yakanga
yakafanana nebango remuuyu ichiita
kunge yakazorwa madota Pakatsikwa
nyoka iya yakabva yanzwa
kurwadziwa ichibva yasimudza
musoro ndookubva yatarisana
memaziso chaimo naamai vaTutsirai
Mai vaTutsirai vakangopera simba
ndiye rabada Fadzai hapana
zvaakanga achakwanisa hake kuita
mwana achiona amai vachiputsika
anobva aikwetsura mhere yakaita kuti
nyoka iya ivhunduke kwaakutanga
kutiza ichienda Mwanasikana
anombozama kuzunza zunza amai
vaTutsirai kuti vamuke akabva
akoniwa Nzvimbo yakaitikira zvinhu
izvi kwaiva kuresa nedzimba zvokuti
mhere yose yairidzwa naFadzai
hapana kana mumwechete zvake
akazvinzwa

Mwanasikana akabva chitsoka


ndibereke akanga kumba kundodana
baba vaTutsirai kuti vamubatsire
Fadzai zvekumhanya zvaiva zvake
chaizvo Kunyangwe kuchikoro kwavo
aiziikanwa kuti ishamwari yemhepo
chaiyo Nekanguva kadiki akanga
asvika kumba nechekare Akabva
audza baba vaTutsirai zvakanga
zvaitika kumakura Baba vaTutsirai
havana kudya manonoko vakabva
vapinda munzira vakaanga kumakura
kuya Vakabva vasvika panzvimbo
paye ndookubva vaona mudzimai
wavo achiri avete Vanopepa mukadzi
wavo dzamara amuka Moyo wavo
wakabva wasununguka vachiona
mudzimai wavo achifefemuka
Vakabva vatorana nemudzimai wavo
ndookupedzisa havo rwendo rwavo
Amai vaTutsirai vakanga vasingatane,
vakabva vapinda zvavo mumba
kwaakutora machira machena
ndookunanga zvavo kuseri kwemba
kwaakutanga havo kutenda musiki
Mai vaTutsirai vakanga vanzvengeswa
parufu Vakabva vapedza zvavo
kunyengetera kwaakupinda zvavo
mumba makanga muine vamwe Baba
vaTutsirai vakabva vabvunza zvakanga
zvambonyatsoitika vachibva
vatsanangurirwa zvose Vachinzwa
ruvara rwenyoka yacho vanobva
vashamisika "Mototenda mwari
mhando yenyoka iyoyo ikakusvipira
mate unoita bofu Kuzoti ikakuruma
hauna kana kuresa kwaunosvika
unotozosara wosvikwanewe
kuchipatara watonhora nechekare",
vanodaro zvavo baba vaTutsirai
vavakutotaura nyaya vachiseka
naadzimai wavo Baba vaTutsirai
vakabva vabuda ndookunanga zvavo
kuchirugwi chehuku chehuku
ndookubata jongwe kwaakutambidza
Fadzai kuti ariuraye Amai vaTutsirai
vanoshamisika vachiona jongwe
ravaisimborambidzwa kuti vauraye
vachiripiwa

Chomusi uyu vanhu vakadya vachifara


kwazvo

KUPERA KWECHITSAUKO 9

CHAPTER 10

Vanhu vaidya zviye zvekukanganwa


mangwana chaizvo Ungati ndiwo
musi wekugumisira kuona nyika
Mhuri yakadya zvayo izere nemufaro
mukuru kwazvo Vana vokwaMai
Taruvinga vaivawo pakati pevamwe
vachifara kwazvo Vakapedza zvavo
kudya kwamanheru vachibva vatanga
kutandara vachitaura havo nyaya
dzakasiyana siyana dzaifadza vana
vakanga vakateya zvavo nzeve Vana
vakazotanga zvavo kukotsira zvishoma
nezvishoma vachibva vasimuka
ndookuenda kundorara Vanhu
vakadzifodora dzino hope
dzehumambo sezvo vakanga
vambobvisa kapfungwa kekutambura
Hapana kana mumwechete zvake
akataura chitoto chaityisa
nerechimangwana racho Hapana
akakasika kumuka mangwana acho
vose vakaramba zvavo varere uku
tuvana tuchizeya nyaya dzavaiudzwa
madeko vakatandara Amai vaTutsirai
ndivo vanotanga zvavo kumuka
kwaakutoita basa rose repamba
pakazomuka Runesu naFadzai
vakatoona basa rose ratoitwa
vachibva vanovesa zvavo moto kuti
vagadzike zvavo mutakura Baba
vaTutsirai vakabva vapinda zvavo
musango "Afamba apota adzimai
regai ndimbodzika zvangu kurwizi
rekwamuhume uko pamwe
ndingawanewo muriwo wamanheru
mukadya zvekare muchifara",
vanodaro baba vachibva vatora
tsvimbo nebakatwa kwaakupinda
zvavo musango Baba vaTutsirai
vakanga vati kurei Kare kavo
vaiziikanwa kuti pamba pavo
paisadyiwa muboora kana
zvimutsotso varipo Yaingova nyama
yoga yoga yaigara yakazara pachitofu

Baba vaTutsirai vaivhima vasina kana


imbwa zvayo Varipakati pekufamba
kudaro vanobva vaona njiri ichimwa
zvayo mvura Murume anonyahwaira
nyahwaira akananga kwaiva
nenguruve iya Vavapedyo nenguruve
iya inobva yanzwa kufamba ichibva
yasimudza zvayo musoro
Hombarume ichiona izvi inobva
yaregedzera bakatwa tichibva ranoti
gumbo chuuu Nguruve inobva
yatanga kutiza murume achiteera
shure Baba vaTutsirai vakamhanya
kudzamara vakanganwa kuti ava
murume mukuru Vakadzokera
pahujaya hwavo hwavaiziikanwa navo
Vakatanga kumhanya zvokuti mhepo
yaiita kurova maziso achibuda misodzi
ichinanga nekuseri kwegotsi Murume
akanga oita sechabhururuka
nekumhanya Sezvo njiri yakanga
yabaiwa nebanga inotanga kuneta
zvishoma nezvishoma kuchiti baba
vaTutsirai havana kumira kuuya pedyo
vakabva vasvikoiti netsvimbo musana
bhaaaa ichibva yaita kuumburuka
Vakabva vasvika zvavo ndookubva
vasenga havo nyama yavo vakanga
kumba Baba vaTutsirai vakafamba
zvavo vachienda kumba Hombarume
yakanga yabata zvayo usavi
wamanheru Vavakusvika pamba
vanobva vatora ropa ndookuzvizora
zora kumeso ukurimwe raibva
panguruve raiita kuyerera nembatya
dzose Vanobva vasvika pamba
ndookubva vanyepera zvavo kudonha
Amai vaTutsirai vanovhunduka
vachiona murume wavo achiwira pasi
uku akazara ropa Vanomhanya
vakanga pakaruvare kaiva pachivanze
pakanga parara murume wavo
kwaakutanga kumuzunza zunza Baba
vaTutsirai vanobva vatanga zvavo
kuseka Mudzimai wavo akanga
avhunduka zvikuru nezvakanga
zvaiitwa nababa vaTutsirai Vanobva
vasimuka zvavo kwaakunanga
kundotora banga kuti vavedzenge
nyama Nyama yakanga izere mafuta
zvayo iyoyo Payakaiswa pachitofu kuti
inyatsodonha ropa aingova mafuta
oga oga Baba vaTutsirai vakangoti
ndinoda kuti nyama idyiwe ipere
muite matama chaiwo Vanodaro
zvavo baba vachichekerera nyama
vachiisa pamoto yokuti vagoche zvavo
Vana vaiita sevachazviruma nokudya
nyama Runesu aiita zvokunge achafa
nayo sezvo akanga atosuwa nyama
nekwaanga akavharirwa naamai
vaTaruvinga Nyama inoita kuzara
chitofu mumwe nemumwe
achidambura zvake chidimbu chake
achidya Vana vaamai vaTaruvinga
vanoona kuchinja kwehupenyu hwavo
nekugara kwavaiita naamai vaTutsirai
Chirichikafu baba naamai vaTutsirai
vakanga vasina nungo nokutsvaga
Rimwezuva amai vaTutsirai vakabva
vafumo bata zvavo jongwe muromo
vakananga kujeri kundoona mwana
wavo Vakanyatsotakura ano
manhindi matatu nechimwe chikafu
chakasiyana siyana Vakabva vanopa
Tutsirai naamai nababa vaTaruvinga
Vatatu vakafara zvikuru vakadya zvavo
nomufaro Amai vaTutsirai vakabva
vambofunga zvokuti vaudze amai
vaTaruvinga kuti ndivo vaiva nevana
wavo moyo wakaramba zvekare
Vakabva vangoramba vanyerere zvavo
Vakabva vamirira kuti ivo
vazovabvunza vega kuti vana vavo
varisei Vakabva vadzokera zvavo
kumba Varipakati pokufamba kudaro
vakananga kumba kwavo vanobva
vaona mota yaibva shure kwavo
Motokari yaiva mbishi chaiyo Ichiita
kupenya ichiratidza kuti yakanga
itiitsva chaiyo Motokari inobva
yasvikomira zvayo pamberi paamai
vaTutsirai Amai vakambozama kuti
vadongorere mukati asi hapana
chavakaona Mukati memotokari
maisaoneka kana kamwechete zvako
Fafitera rinodzikiswa zvishoma
nezvishoma vachibva vaita mahwekwe
nehanzvadzi yavo yakanga yachonera
joni Amai vaTutsirai vanofara
zvokunge vachabata denga nokuti
panga paane makore anokwana gumi
vasati vaona nehanzvadzi yavo
Vanobva vapinda zvavo mukati
kwaakuenderera mberi nerwendo
rwavo vakananga kumba "Saka
wandiziva sei manje ipapa nhai
Magaso", vanodaro amai vaTutsirai
vachibvunza hanzvadzi yavo Magaso
anobva apindura hake azere
nemufaro mukuru, " ane hama yake
angaishaye here nhai vahanzvadzi
zvingaitewo here izvozvo"

"Makore awandazve nhai mwana


waamai vangu", vanodaro havo mai
vaTutsirai uku vakanga vadya zvavo
fafitera karuoko kakabuda zvako
kunze Vakabva vasvika zvavo pamba
Vachisvika pamba vana vakanga
varipo vakashamisika vachiona
motokari mbishi ichisvika pamba pavo
Vana vakanyatsomira zvavo
nechekure vakamirira kuona kuti
aizoburuka imomo aiva ani Uku amai
vaTutsirai vakatora kanguva vakagara
mumota nehanzvadzi yavo
vachimbokurukura zvavo nyaya Vana
vakashamisika vachiona amai vavo
vachitanga kuburuka mumota zvinova
zvakavanetsa kuti motokari yaimbova
yaani Vakabva vazoona Magaso
achiburuka
Pavana vose munhu aiziva Magaso
aiva Tutsirai naRunesu asi parizvino
Runesu akanga akanganwa Magaso
anobva abuda kwaakuti kunaRunesu
aiva akamira padara, " nhai Runesu
hausikuona murume wako here
Mhanyira murume uko mukadzi asina
hunhu ndichamutamba" Runesu
anobva afamba zvake kwaakusvikoda
kumhoresa sekuru vake nemaoko
"Murume anombundirwa nhai Runesu
indawa kupusa soo nhai mukadzi
wasekuru", anodaro Magaso Runesu
paakanzwa kuti sekuru anobva
avaziva kwaakuvambundira

KUPERA KWECHITSAUKO 10
CHAPTER 11

Runesu akanga arangarira sekuru


vake Vanobva vapimda zvavo mumba
ndookutanga kuenderera mberi
nenyaya Panguva yose iyi baba
vaTutsirai vakanga vasipo pamba
Vakanga vananga zvavo kubindu
kunotanha zvavo mapuno
Pavanodzoka vanovhunduka vachiona
motokari yakamira pachivanze
Vanombofunga kuti zvimwe aiva
hanzvadzi yavo akanga abva mhiri
kwamakungwa zvichibva zvarambira
nokuti aisambouya asina kutaura
Vakabva vafamba zvavo
ndokusvikodongerera havo
nepafafitera muimba yokubikira
kwaakuona inga ndiTsano Vakabva
vafamba ndookupinda mumba muya
kwaakukwazisana nekubvunzana
hutano nasekuru Magaso Magaso
akabva adeedza zvake adzimai vake
Runesu ndookuvambidza makeys
emotokari kuti vatakure zvinhu
zvaivamo Runesu semudzimai
wasekuru akanga akangwaririra
akabva amhanya ndookudana vamwe
vake kuti vamubatsire kutakura Vana
vakaburutsa chino chikafu chakanga
chizere mumotokari Vana vakatakura
dzamara vaneta vachiisa chikafu
mumba Magaso akabva afunga zvake
zvokuti amboenda nababa vaTutsirai
kumagirosa kundogocha zvavo
vachinwira nwira Motokari yakabva
yazhezheudzwa yakananga
kumagirosa aiva pedyo zvavo
Mumhanzi wakabva watanga zvino
kuridzwa mumotokari muya Pakabva
paiswa muimbi aifarirwa nababa
vaTutsirai zvokuti aiziikanwa nokuti
Tongai Moyo Dhewa Waiti
ukangoridza Tongai bedzi waiona
vavakugutsirira Pasina kanguva
vakabva vasvika zvavo pamagirosa
paye ndookubva vatanga zvavo kunwa
vachigocha Apa ndipo pakava
nemukana wekuti Magaso ataure
zvaakanga avinga kumusha

Akabva atanga zvake kutaura, "tsano


muchindiona ndauya kudai
ndinenyaya diki diki yandiinayo
munongoziva kuti kubva zera
kwandaita zvaakudawo muvaraidzi"
Baba vaTutsirai vanobva vagutsirira
zvavo musoro kwaakuteya nzeve
zvekare "Ndinoreva kuti pazera rangu
ndinotarisirwawo kunzi ndaane
mukadzi saka zvichireva kuti kudzoka
kuno ndauya kuzotsvaga wematongo
wekuroora", vanodaro zvavo sekuru
Magaso vachitaura nemurume
wehanzvadzi yavo Baba vaTutsirai
vanobva vapindurawo zvavo vachiti, "
mashoko enyu akanaka Tsano ichoo
ichokwadi zera renyu vazhinji vacho
vavanedzimba nevana" "Hamuna
kwamunoziva here Tsano kune
mwanasikana tsvarakadenga
anehunhu", anodaro Magaso achibva
atanga zvake kuseka "Moyo muti
Tsano munotenderera hamushaye
mukatenderera nemukadzi wenyu
Runesu anokuratidzai mavanenge vari
vasikana vacho", vanopindura zvavo
baba vaTutsirai Vaviri vanoramba
zvavo vachikurukura dzamara kunze
kwavira vachibva vapinda zvavo
munzira kudzokera kumba Nguva
yokutandara yakabva yasvika zvayo
Magaso ndookutorana nemuzukuru
kwaakupinda zvavo mumotokari
kwakutanga kukurukura zvavo
Vakabva vawirirana kuti
nerechimangwana vazotenderera
tenderera vachitsvaga zvavo
tuvasikana Runesu akanga atopinda
basa rekutsvagira sekuru wake
mudzimai Vakabva vabuda zvavo
kwaakunanga mumba maiva
nevamwe ndookutanga kuenderera
mberi nokutaura zvavo nyaya
dzakaitika kare Vakazoti vati gare
gare Magaso akabva abvunza zvake, "
nhaimi ko Tutsirai wandisiri kuona apa
aripi ndangandatozvikanganwa wena
Ko vana vamwe vandisingazive
ndevapi varimuno" Baba naamai
vaTutsirai vanobva vamboseka zvavo
kwaakuti, "asi maziso ako
haanyatsoona kani netumaboni boni
twawakapfeka utwu ungaona chiii
Tutsirai akapomerwa mhosva
yekuuraya saka parizvino arimujeri
kuchiti vana vatatu avo Fadzai
nevamwe vadiki avo vakasiiwawo
naamai nababa wavo sezvo
vakasungwawo zvekare mushure
mekuba Runesu mukadzi wenyu
kwaakutanga kumushungurudza
vachimuti ndiwe ucharipa kufa
kwemwana wedu sezvo variiwo vane
jaya ririkunzi rakaurawa naTutsirai"

Amai vaTutsirai vanobva vanyarara


zvavo vakamirira kunzwa kutaura
kwehanzvadzi yavo "Zvazvakaoma
nhaimi zvino iye Tutsirai akapiwa
makore manganiko ari mujeri macho",
anodaro Magaso "Akapihwa makore
gumi nemashanu", vanopindura
zvekare amai vaTutsirai asi vakanga
voda kutochema Magaso anobva
aona mamiriro akanga aita nyaya
achibva atanga zvake kutaura dzimwe
nyaya nokuti akanga aona kuti
hanzvadzi yakanga yoda kusvimha
misodzi Vanoenderera havo mberi
vachitaura nyaya dzamara mumwe
nemumwe abatwa nehope vachibva
vaenda havo kundorara Kunze
hakuna kutana kuedza vakafumo
muka zvavo kwaakuita tumabasa
twavo pamba Vapedza zvavo vakabva
vagadzika bhodho remupunga
pamoto uku Runesu nasekuru vake
vakanga vatobuda nechekare Runesu
akananga nasekuru vake kurwizi
kwaiwachirwa nevoruzhinji uye aiziva
kuti ndiko kwaivanzowanika vasikana
vakati wandei Vakafamba zvavo
vachiswedera pedyo nerwizi
Vavakusvika pedyo vanotanga zvavo
kunzwa manzwi aibva kurwizi
achiratidza kuti ndeevasikana
Vakabva vasvika zvavo ndookubva
vamira nechekure zvishoma Uku
Magaso ainyatsoongorora zvake
pavasikana vese vakanga vachiwacha
Chikomana chakamhanyisa mhanyisa
maziso serwaivhi achibva azosvika
pane kamwe kasikana kakanga
karikatsvuku Asi chiso chake panguva
idzi haana kukwanisa kuchiona
Magaso akabva atuma muzukuru
wake kuti anomudanira musikana
iyeye

Runesu akabva afamba zvake


ndookuudza musikana uya munzeve
Musikana chaakatanga kusimudza
musoro Magaso akashamisika
achiona mhenya yemwana
Tsvarakadenga uno mutsvuku
akasimba zvake zviripakati nepakati
Kuchiti iwo meno sandi kuchena ikoko
Kasikana kaye hakana hako kuda
kuvhaira kakabva katora zvako hembe
yangairi parutivi kwaakupukuta hake
maoko ake achibva ananga kwakanga
kwakamira Magaso "Makadini henyu",
kanodaro kasikana kaye kachinyaririra
zvako Magaso anobva aramba
akakati ndeee mumaziso chaimo iko
kachibva katsikitsira zvako "Huyazve
indikwazise nhai mwanasikana",
anodaro Magaso achitambanudza
zvake ruoko rwake Mwanasikana
akabva amhoresa hake Magaso
munezvakanaka Magaso haana kuda
kudya manonoko akabva atopinda
munhaurwa yake "Mwanasikana ini
ndinoitwawo Magaso hausati zvako
wakambondiona asi ndiri hanzvadzi
yaamai vaRunesu muzukuru wangu
waunoona uyu, hamenowo kuti iwewe
unonziani zita rako rekuberekwa",
anodaro zvake achibva apeta maoko
Kasikana kanobva katanga kuruma
ruma zvako chigunwe kasati
kapindura Magaso akanga akasimba
chaizvo rino rume rakanga rabvumwa
nechirungu iro ganda richiita
kutsvedzerera sezvo rajaira zvaro
kugezwa nesipo dzechirungu

KUPERA KWECHITSAUKO 11

CHAPTER 12

Rudo rwakanga rwoda kubvira zvino


Pavaviri hapana akanga asvitsa shoko
kune mumwe asi hana dzakanga
dzatoroverana nechekare Kasikana
kakanga katotorwa moyo nechekare
kakabva kapindura zvako zvakanga
kabvunzwa naMagaso, "ini ndinonzi
Ropafadzo"

Kasikana kanodavira nekazwi kano


katete chaiko ungati ndekemwana
mudiki "Ndingakutadzise hako
kuwacha ndinoda kuziva zvangu
kwaunogara ndizokushanyira ikoko
ndine nhaurwa huru kwazvo asi
ndaona kuti ndikakutaudza pano
unozononoka kupedza kuita hako
basa rako Kana uine nhare
ndinokumbirawo nhamba dzake
ndizokufonera", akadaro Magaso
"Handina runhare ini asi mukabvunza
iye Runesu anokuratidzai pamba pedu
anopaziva", anopindura zvake
Ropafadzo achibva aoneka Magaso
kwaakudzokera hake kundowacha
Magaso akasara akayeverwa
nemhenya yemwana ichiita kufamba
zvayo zvishoma nezvishoma "Apa
ndapinda Hazvitomboite kuti ndisiye
tsvarakadenga iyi Uyu ndiye achazova
amai vevana vangu namwari wangu",
anodaro zvake Magaso nechemumoyo
achibva atorana nemuzukuru wake
ndookudzokera zvavo kumba
Vakasvika pamba vanhu vese
vakatovamirira sezvo vakanga vabuda
vasina kuoneka kuti varikuenda kupi
Vakabva vasvikogara zvavo pabhenji
mukicheni amai vaTutsirai vachibva
vavabvunza kuti vakanga vaenda kupi
Chikomana Magaso chichibva
changonyemwerera zvacho ndookuti
" kundotsvaga varoora vahanzvadzi"

Amai vaTutsirai vakabva vaseka zvavo


kwakuvapa svutugadzike kuti vanwe
Vaviri vakanwa zvavo munezvakanaka
uku Magaso achiudza muzukuru wake
Runesu zvokuzoita kana aakuda
kuenda kunoona Ropafadzo kumba
kwavo Vakapedza zvavo kudya
ndookubva Magaso arara zvake
mumotokari make uku mumhanzi
uchiririra zvavo kure kure Anobatwa
zvake nehope arimotokari make
Ropafadzo akabva auya kuhope
kwake zvokuti paakamutswa kunzi
aende kundogeza akabhowekana
zvikuru nokuti hope dzaiita
kumunakira zvadzo idzodzo
Chikomana chaiits kurota
chichipanana rudo zvacho naRopa
kuchiti iko kudyisana uku
hauzomboda Magaso akanga apinda
mudenga rechinomwe chairo
Aripakati pekurota adzimai vake
Runesu vanobva vamumutsa kuti
aende hake kundogeza Akamuka
nehasha asi dzakazoderera aona kuti
ndaadzimai vake vaimumutsa Anobva
amuka zvake kwaakunanga
kundogeza Chikomana chakaenda
kundogeza moyo uchifara kwazvi
nekuda kwekurota kwaakanga aiita
Aingogeza achimwerera dzamara
apedze Kunyemwerera kwake
kwakaonekwa nehanzvadzi yake
ichibva yabvunza kuti
aimbonyanyonakirwa nei chaizvo
Magaso akabva avatsanangurira hope
dzaakanga arota arere zvake
mumotokari make Mai Tutsirai
vakabva vatosimbisawo hanzvadzi
yavo vachiti, "zvatova nechirevo izvi
hanzvadzi ndipo pawatowana ipapo
wotosimba kuti aite wako Kana
atombouya zvake kutsi kwehope
usamurege zvachose"

Husiku hwacho chikomana hachina


kuraraba chichigaya zvaRopa Kunze
kwakaita kunonoka kumuyedzera
kuti aende andosvitsa zvake shoko
kutsvarakadenga Magaso akanga
avakutoona vatova mumba nechekare
Akazoita kubiwa nehope zvino
aripakati pekufunga Mangwanani
akabva amutsa zvake motokari
chinyarire kwaakunanga Mamurewa
mutaundi kundotengera hake
Ropafadzo runhare rwekuti azowana
kutaura naye Ukuwo Ropafadzo
wacho akanga atononokerwa nekuuya
kwaMagaso kuzomuona Aingodemba
kuti dai mukomana amupfimba zvake
iyeye Akanotenga ino nhare yakanga
yakanakisisa kwazvo seri kwayo
kwakabva kwaiswa tumaruva
Nenguva diki diki akanga adzoka
zvake kwaakutoudza Runesu
agadzirire vaende kundoona Ropa
Runesu akaitawi chimbi chimbi
kugadzirira vachibva vatobuda
Varipakati pokufamba vakananga
zvavo kumba kwanaRopa vakabva
vasanga nechimwewo chikomana
chaifamba zvacho nenzira Ko vaizivei
kuti chikomana chaitotaimirawo
Ropafadzo Runesu akabva atumwa
kunzi andodana musikana uya Magasi
akabva asara hake akamira
mumugwagwa waiva pedyi nepamba
pavo Runesu akaita sezvaakanga
atumwa nasekuru vake Akasvika
zvake Ropafadzo achisuka suka ndiro
Ropa paakangoona Runesu achisvika
akabva aziva kuti Magaso akanga auya
kuzomuona Runesu akazosara ataura
zvaakanga avinga Ropa akanga
avakutizviziva nechekare Akabva
audza Runesu kuti adzokere hake
Mwanasikana akaita saizvozvo
ndookudzokera hake kwaiva nasekuru
vake Ropa akabva assra achigeza
geza zvake maoko ake ndookutanga
kutevera Hana yake inorova
paanoona chikomana Magaso
Achangoti fambe fambe chikomana
chiya chokusangana naMagaso
chakabva chabudikira ndookutanga
kudana Ropa Ropa anocheuka
achibva aona mukomana uya
Chikomana chaitevera Ropa chainzi
Tumbare, kwaingova kushingirira
zvake Tumbare asi Ropa akanga
asingadi nezvake

Mwanasikana anobva aomesa hake


gotsi kwaakuramba achienderera
mberi nekwaanga akananga Ropa
akabva asvika pakanga pakamira
Magaso vachibva vakwazisana havo
munezvakanaka Tumbare achiona izvi
anobva atuta nehasha kwaakubva
kwaibva akananga paiva naMagaso
achida kumudira mbama Magaso
kwaiva kudya kwake manje Apa
yakanga iti hofori yerume chaiyo
utakura mombe mbudzi ihata,
hamburamakaka, murume akayamwa
akaguta Magaso anobva angobata
Tumbare pahuro kwaakumusimudza
mudenga ndookuregedzera achibva
awira pasi Tumbare anosimuka
nehasha achibva adirwa mbama
naMagaso ndookutanga
kupengereka achienda Runesu
akabva aoma zvake nekuseka
Pakaenda Tumbare chikomana
Magaso chakabva chatarisana maziso
naRopa achibva angobuditsa mashoko
ekuti, "ndinokuda Ropafadzo"

Ropafadzo achinzwa izvi anobva


atarisa zvake rutivi kwaakuzopindura
achiti, " ndakagara ndazviona kare
Magaso kungoti shoko rako rakanga
rako rakanga rangononoka kusvika
munzeve dzangu bedzi Magaso
achinzwa izvi moyo wake unofara
kwazvo Ropa akazongoerekana ruoko
rwabatwa zvinyoro nyoro Akabva
asimudza zvake musoro ndookutarisa
chikomana Magaso akabva akwidza
zvake ruoko rwake ndoobata
nechemuhuro maRopafadzo vachibva
vatanga zvavo kutsvodana
Vakabva vazosiyana zvavo Magaso
achibva atambidza musikana nhare
utsva iya yaakanga atenga Ropa
akafara zvikuru Vaviri vakabva
vaparadzana zvavo Magaso akabva
ananga zvake kumba nemuzukuru
wake Magaso hapana chaakaziva kuti
mukomana waanga arova uya akanga
amhanya kundodana vamwe
vakomana kuti vabatsirane kurwisa
chikomana ichi

KUPERA KWECHITSAUKO 12
CHAPTER 13

Magaso akanga ofamba zvake


nemuzukuru wake vachifara zvavo
kuti zvavanga vafambira zvakanga
zvaita Varipakati pekufamba zvavo
vachiita chikweee nemuzukuru wake
anobva acheuka hake shure achibva
aona vakomana vatatu vachiuya
varikumashure kwavo kuchizoti
Tumbare akanga arinechekumashure

Tumbare anobva atanga kusheedzera


kuti Magaso amire Magaso anobva
amira zvake achida kuona kuti vanhu
ava vaimbonyatsodei chaizvo
Vakomana vakabva vasvika paakanga
akamira "Munhu ngaarohwe
vakomana azive zvikomo zvekuitira
tsvina", anodaro Tumbare achida
kuzora Magaso mbama achibva anzi
ruoko iroro dzvii Tumbare
anoizadzwa mbama yakaririra kwazvo
zvakavhundutsa vamwe vake
Vakomana vachinzwa izvi vanobva
vaita zvavo tuhasha twegurwe
Magaso anobva avatarisa zvavo kuti
vaida kuitasei Magaso akabva audza
muzukuru wake kuti afanoenda
kumba sezvo pakanga pashata
Runesu akaita saizvozvo ndookuenda
zvake kumba

"Nyaya yenyu imboripapi nhai


vakomana mambotadzirwei neni",
anodaro Magaso achida kuzama
kunzwisisana nevakomana vaye
Panguva iyi vakanga vamuunganira
zvino Chikomana chakambogaya
zvekuda kutiza achibva aona kuti
anenge aita humbwende chaiwo Joni
kwaigara Magaso aitoziikanwa
nevanhu kuti aisadenhwa kana
kamwechete zvako Akamira kudaro
anobva aitambidzwa shamhu nepakati
pemusana zvinova zvakaita kuti
Magaso aite hasha Chikomana chaiti
chikaita hasha chaisatarisika kumeso
Anobva atendeuka zvake achibva
abata akanga amuriva neshamhu uya
Vamwe vachiona izvi vanobva vatanga
kuregedzerawo dzavo Magaso
akambotanga achinzvenga shamhu
dziya dzamara akuchiita dzokubata
achibva akanda kwakadaro uko

Vakomana vakasara vasina kana


shamhu Apa ndoopavakatanga zvino
kuchirohwa senyoka yapinda mumba
Magaso aiti akapa munhu mbama
aiona nyenyedzi dzega dzega
Vakomana vese vakarohwa vakapera
kutiza Tumbare ndiye nyakutotanga
kurova chitsoka ndibereke
Chikomana chichiona izvi chinobva
chatanga zvacho kuseka Magaso
anopukuta pukuta zvake maoko
ndookuzunza zunza hembe dzake
kwaakutanga kufamba achienda
kumba

Achangoti fambei anobva asangana


nehanzvadzi yake ichiuya ichimhanya
naRunesu Vanobva
vasvikomumbundira vazere nekutya
kwazvo kuti angadai akuvadzwa
"Hauna kukuvara here hanzvadzi
yangu", vanidaro amai vaTutsirai
vachibvunza kuna Magaso "Handina
kukuvara ini vahanzvadzi
musandityira henyu", anopindura
zvake Magaso vachibva vatanga
kufamba vachidzokera zvavo kumba
vose "Vahanzvadzi mungandityire
pazvinhu izvi ini Ndingatye vanhu
vashanu bedzi Manje Joni ndinofunga
munongoiziva kuti kune vanoshandisa
mapanga chaiwo uye vachitouraya asi
vanotoziva kuti kana ndasvika hapana
anosimudza kamuromo kake vese
vanonyarara kuti zii", anodaro
Magaso achitaura zvake namai
Tutsirai vavakutoseka zvavo

Nechinguva chidiki diki vakanga


vasvika zvavo pamba chikomana
Magaso chichibva chabuda hacho
nababa vaTutsirai kuenda kumagirosa
Magaso akabva apunza zvake nyaya
yake mudariro semazuvaose "Tsano
zvandangandakavinga kuno
ndinofunga zvaita ini Ndinoreva
kudaro nokuti pane kasikana
kandaenda zvangu kunoona makuseni
ndiine zvangu chizukuru changu aiwa
tanzwanana tikawirirana kwazvo
Mwana akazvarwa zvake iyeye handidi
kunyepa Kuzoti akazowana tusipo
netumafuta twechirungu anobva aita
murungu chaiye", anobva
ambonyarara zvake Magaso akamirira
kunzwa kuti mukuwasha wake
anotiwo kudii

"Zvinofadza kunzwa izvi atezvara


nokuti tangatichitotarisirawo kuti tive
naambuya vatinoomberawo",
vanodaro zvavo baba vaTutsirai
vachibva vaenderera mberi zvavo
nenyaya dzavo "Musikana
wandawana anonzi Ropafadzo
wekumhiri uko asi mashoko
anorwadza ndeekuti ndachairwa
nhare kubasa vati ndinodiwa ikoko
mazuva matatu anotevera Saka kuti
nditorane naRopa hazviiti nokuti
handisati ndaona kuti akanaka zvese
nemoyo here pamwe chingadai
chirichiso bedzi mukati makaora",
anodaro Magaso achiseka zvake
nababa vaTutsirai Baba vaTutsirai
vatsigira zvakanga zvataurwa
naMagaso nekumupawo pfungwa
dzavo nemafungiro

Vakabva vazochinja nyaya


kwaakutanga kutaura zvavo dzimwe
Baba vaTutsirai vakabatikana zvikuru
vachinzwa mashoko aitaurwa
nehanzvadzi yemudzimai wavo ekuti
vaakudiwazve joni kubasa Pamazuva
mashomanana avanga vagara vose
vaigara zvavo vachifara misi yese
yezuva Vakazopedza zvavo kutandara
kwaakupinda mumotokari kudzokera
kumba

Ravaremangwana racho Magaso


akabva achaya nhare kumudiwa wake
Runhare rwakarira asi hapana
akadaira pokutanga Chikomana
chakazama zvekare mwanasikana
achibva azodaira zvake
"Helloo mudiwa wangu urisei zvako",
kaiva kazwi katete kaRopa kakanga
kadaira foni Magaso anotarisa
mudenga achibva atura zvake befu
kwaakuzodairawo, " ndirinani zvangu
hameno iwe Ndinoda kukuonazve
nhasi ndine zvandirikuda kumbotaura
newe zvishomanana" Ropafadzo
anorohwa nehana kuti asi pane
zvaangaaita here achibva abvunza
zvake, "kwakanaka hako here
mudiwa" Magaso paanonzwa izvi
anobva aseka zvake, " kungashatei
nhai amai vevana vangu"

Hana yaRopa inobva yadzikama


ndookubva vaudzana zvavo kuti
vaizoonana kupi uye nguvai Nguva
zavakanga vawirirana dzakasvika
vachibva vananga pavanga varangana
kuti vaisosangana Hapana akatangira
mumwe kusvika, vakangosvikirana
pamwechete Ropa akanga asisagone
zvake naMagaso akangoti achimuti
baa akabva arova kweza akananga
kwaari Vaviri vakambundirana zvavo
ndookubva vakatsvaga karuvare
kekuti vagare Vakakawana karuvare
kaye vachibva vagarisana zvavo
pamakumbo Vakambotanga zvavo
vasasana Magaso asati apinda zvake
munyaya yaakanga anyatsovinga
Vaviri vafara zvavo ivavo ungati ishiri
chaidzo Vakaita maawa anokwa
matatu

Kuchizoti zuva ravakuda kunorereka


chikomana chakabva chapinda zvacho
mudariro ndookuudza Ropafadzo kuti
akanga odzokera kubasa
Mwanasikana achinzwa izvi misodzi
yakaerera yoga Magaso akaita bishi
rekutozonyararidza mudiwa wake

Ropafadzo akabva ambotaura


pfungwa dzokuti vaende vese asi
mupfungwa dzaMagaso zvakanga
zvisati zvavakuita kuti vaende vose
nokuti vakanga vasati
vanyatsodzidzana zvakakwana
Vakabva varonga zvokuti mangwana
acho Ropa auye kwaamai Tutsi vazive
makoti wavo Chisikana hachina kuita
nharo hacho chakabva chabvuma
zvakanga zvataurwa naMagaso Vaviri
vakazoparadzana zvavo asi Ropafadzo
akanga atsamwa

Nzira dzakarwa vachibva vaita aziva


kwake aziva kwake vakananga
kudzimba dzavo

Mazuva haana kumirira munhu zuva


ramangwana rakabva rasvika Ropa
akabva afumobata jongwe muromo
sezvo kumba kwaamai vaTutsirai
aikuziva nechekare Akasvika zvake
ndokuona mutsvairo wepachivanze
kwaakutotanga zvake kutsvaira Amai
vaTutsirai pavakanzwa kuruzha
kekutsvaira kaibva panze vakabva
vamuka kwaakuona inga ndimakoti
wavo akanga achitsvaira chivanze

KUPERA KWECHITSAUKO 13
CHAPTER 14

Amai vaTutsirai vakabva vadzokera


zvavo mumba kwaakuita kazeve zeve
nehanzvadzi yavo Magaso
akashamisika achinzwa kuti Ropa
akanga auya Anobva abuda panze
kwaakumira hake pavheranda
akayeva mudiwa wake achitsvaira
Chikomana chinotora kanguva kakati
rebei chakayeverwa

Ropa akazotiwo rega ndisimudze


musoro ndipo paanosanganidzana
maziso nemukomana wake "Tora
wako mutsvairo undibatsirewo",
anodaro Ropa achitaura kumukomana
wake Magaso haana kuda kuita
nharo kana kupikisa akangonanga
pamusoro pechirugwi achibva
atorawo wake mutsvairo kwaakutanga
kutsvaira vose Izvi zvakazova
mumaziso aamai Tutsirai vachibva
varatidza kufara nazvo Mudzimai
akafara zvakaonekwa naRopa

Pasina chinguva vakabva vapedza


zvavo kutsvaira chivanze Kwaakubva
havo kunze kwegedhe vakaberekana
vachifara zvikuru Ropa akabatsira
amai Tutsirai kuita mabasa ose aida
kuitwa pamba panguva idzi
chikomana chaiva mubishi rokugeza
motokari yacho yakanga yaendwa
nehuruva Ropa akanga aakugaya
zvake ariparutivi mumota yaMagaso
vachipanana zvavo rudo Vaviri
vakanga vakafaranuka zvavo pasina
kana zvaimbovanetsa Vakabva
vazopindamumba mushure mekunge
vapedza kuita mabasa ose epamba
Magaso akabva atanga zvake kutaura,
"vahanzvadzi musikana wamunoona
uyu ndinofunga munoziva nechekare
asi chikuru chandinoda kukuudzai
ndechekuti mamwedzi mishomanana
inotevera ndiye achava muroora
wenyu iyeyu" Amai vaTutsirai
vachinzwa mashoko anodakadza
kudaro vanobva vairova mhururu
yakaita kuti baba vaTutsirai vakanga
vachiri varere vamuke chiripotipotyo

Baba vaTutsirai vanonanaira zvishoma


nezvishoma vakananga pamukova
wekicheni umo makanga mabuda
mhururu Vanobva vasvikodongorera
zvavo vachibva vaona mwanasikana
uya wavanga vakamboudzwa naTsano
wavo kuti ndiye wavarikuda kuita
mudzimai wavo Vanobva vapinda
zvavo mukati kwaakugara zvavo
kubenji kwakanga kwakagara Magaso
Magaso anobva apira zvekare nyaya
mumaoko ababa vaTutsirai vachibva
varatidzawo kufara nazvo, "ini
zvangu ndaizviziva kare asi
ndangandakamirira zuva rino" Amai
vaTutsirai vanobva vaseka zvavo
vachinzwa mashoko akataurwa
nemurume wavo ndookubva vazoti,
"hooo nhai saka mangamuchizivana
henyu naTsano venyu" Vose
vanobva vaseka zvavo pamwechete

Pamba panofarwa zvikuru chikomana


chinobva chamutsa motokari
chakananga kumagirosa kundotenga
tuchikafu twechirungu twekuti
mudiwa wake ambodya zvake
Pasina chinguva motokari yakanga
yavakutoti zhimu zhimu yamira zvayo
pachivanze Runesu nevamwe vake
vanoita chipatapata vakananga
kunoburutsa zvakanga zvauya
nasekuru wavo Pamba pakaita
madyo vanhu vachifara zvokuti
paisadanwa anonzwa ipapo Amai
vaTutsirai vanofarira makoti wavo
zvikuru

Zuva rakazovira zvaro Ropa achibva


aoneka kwavakupinda zvake munzira
ndookuperekedzwa nemudiwa wake
Motokari yainanaidzwa zvishoma
nezvishoma vaviri vachitaura zvavo
nyaya Vaiti vakati fambe fambe
motokari yombomira ichibva
yazosimudzirwa zvekare
Vakazosvika pamba kunze kwati nzvaa
vachibva vasvikomira zvavo
pachivanze ndookutanga
kumbokurukura varimo Vabereki
vaRopa vakavhunduka kuona
motokari ichimira pamba pavo pasina
arikuburuka "Mhamha Mhamha
", Ropa anosheedzera kunaamai
vake vaainzwa kutaura muimba
yekubikira Amai vake vanobva
vabuda panze ndookunanga
kumotokari kuya "Motiwerengawo
pasadza renyu ramurikubika zvizhinji
ndichazokuudzai henyu musatya",
anodaro mwanasikana achifara zvake
zvakaonekwa naamai vake

"Ummmm anovagona here vakomana


veidzodzi motokari mbishi
havazomunetsa here, rega tione
kunowira tsvimbo nedowe",
vanodaro amai vaRopa vachitaura
zvavo nechemumoyo Vakapedza
zvavo kubika vachibva vatumira sadza
riya nekamunin'ina kaRopa Vaviri
vaidya zvavo sadza vachiseka
vachidyisana zvavo Vaiti vakaseka
zvainzwikwa nevaiva mumba zvekuti
amai vacho vaingodzungudza musoro
vachinzwa chikwee Vaviri vakapedza
zvavo kudya chikomana chichibva
chaimutsa zvekare motokari
ndookuonekana nemudiwa

Pasina chinguva akanga asvika kumba


ndookubva atanga kurongedza zvake
mbatya dzake Akabva akanda zvake
hembe dzake mumota ndookubva
aonekana nehama dzake nokuti nguva
dzaaizobuda achidzokera, aizobuda
vakarara Mhuri yakaratidza
kusuruwara zvikuru nekuenda
kwakanga kwavakuita sekuru wavo

Nguva hadzina kumirira hadzo munhu


Vakabva vaenda zvavo kundorara
Pavapakati pehusiku amai vaTutsirai
vanongonzwa kuti zhimu-zhimu
vachibva vabuda panze
ndookuonekana nehanzvadzi yavo
zvekare Magaso anobva apinda
zvake mumugwagwa akananga zvake
joni Motokari yaifamba zvayo iyoyo,
kuchiti mumhanzi uyu kuita kunge
mubhawa chaimo apa rakaita
kudzipwa doro Kunze kwakazorasa
kwoedza chikomana chadarika
Masvingo Anobva aichaya nhare
kunaRopa achimuudza kuti akanga
arova pasi nechekare Ropa
anongosurudza misodzi isina ani
akapukuta

"l will be back soon bby don't worry",


akava mashoko aMagaso runhare
ruchibva rwadambuka

"Ufambe zvakanaka hako Magaso asi


wandibaya panyamanhete Ndaitoti
ndawana wekugara ndichifara naye
zvino ndongokuonera pamifananidzo
here nhai mudiwa wangu
Ndinovimba kwawaenda urikunoita
zvebasa kwete zvevakadzi Handidi
kurasikirwa newe Magaso
Ndakachengeta mashoko ako
awakandiudza ekuti ndini ndichava
amai vevana vako Ndichanamata
hangu kuti ukasike kudzoka
kuzondiona Magaso ndakaperera
pauri chokwadi pamwe dai waizviona
dai usina kundisiya kuno", anodaro
mwanasikana Ropafadzo
achichururudza zvake misodzi

Amai vake vanoshamisika vachiona


mwana wavo akajenga misodzi
mumatama akagara zvake pasi
pemugwavha waiva pakati pechivanze
chavo Amai vanobva vabvunza
mwana wavo zvakanga zvichimudya
moyo achibva avatsanangurira
vachibva vamunyaradzawo semunhu
mukuru vachiti, "kana uine chivimbo
chokuti anokuda ziva kuti anodzoka
achikuona asi kana maiita
zvekunyangirana handifungi kuti
uchamuona", vanobva vanyarara
zvavo kwaakuenda kundopedzisa
zvavo mandiro avaisuka

KUPERA KWECHITSAUKO 14
CHAPTER 15

Chisikana Ropa chainge chongofunga


zvacho mudiwa wacho kuti
anokwanisa kuzodzoka here kana kuti
aizongoita hwebete rawira mumukaka
Akati zvake agere pasi pemumvuri
ipapo achibva agaya zvekuridzira
Magaso nhare kuti anzwe kuti
avenechepapi akaizama akazama
agozamazve asi hapana chakanga
chichaita panguva idzi

Magaso akanga atova divi rejoni saka


nhamba dzake dzaaishandisa muno
dzakanga dzisisaite Mwanasikana
akabva aoma mate mukanwa
Akangodzungudza musoro zvake
achibva aridza zitsamwa hombe
chairo
MUNYORI

Runesu nevamwe vake


vakazongomuka vachiona sekuru
wavo vasisipo Musi uyu vakaswera
vakatsamwa kwazvo vasina mufaro
Amai vaTutsirai havana kurega
kuenda kunoona mwana wavo aiva
muchitokisi, vaienda zvavo apo neapo
dzimwe dzenguva vaimboperekedzwa
nehanzvadzi yavo Tutsirai akanga
aperezeka chaizvo nokuti chikafu
chakanga chirichishoma kwazvo
Tuchikafu twaitengwa naamai vake
twaiva twechirungu tusingabate ura
Iye aitoda zvesadza chairo asi kungoti
mujere maisabvumidzwa kuti munhu
aunzirwe chikafu chakabikwa kubva
kumba Waiti ukaona Tutsirai
achifamba wainzwa tsitsi nezvaakanga
aave Aiuta kunge munhu achawira
mberi kwae angosara musoro chete

Amai vake havana kupera chido


kumwana wavo vangoenda samazuva
ose vachimuendesera chokudya
kuchitiwo ami vaTaruvinga nababa
vacho vaitoponerawo ipapo Chikafu
chakabikwa chakanga chisisadiwe
nokuti pakazoita mumwewo munhu
akauya kuzopawo hama yake Kudya
kwake kwakava kudya kwechikafu
chakanga chakaiswa muchetura Izvi
ndizvo zvakakonzeresa kuti chikafu
chakabikwa kare chirambwe pakamba
yemapurisa Vakanga vaakutoda
zvikafu zvakaita sezvimaputi mazepe
kana uchida kutenga zvakaita
sechingwa kana chekunwa
waitotengera mukamba imomo

Mai Taruvinga
Handichazive zvokuita ini nokuda
kwemabasa angu Ndaifungidzira kuti
zvimwe mhuri yababa naamai
vaTutsirai ndivo vane chokuita nerufu
rwemwana wangu asi hazvisizvo
Nekushungurudza kwose kwandakaita
Runesu mwana wavo Havangadai
vachitiunzira chikafu chokuti tidye
muno Kunyangwe kuvana vangu
chaivo Vaisamboita pfungwa
dzekuvatora kuti vavachengete sezvo
ndisipo kudai Hama dzangu chaidzo
dzakakoniwa kuvatora asi ivo mbune
ndivo vakazvikwanisa Chikafu
chavanouya nacho
ndinozongotambira hangu nokuda
kwenzara asi nyadzi dzinokuda rufu
chokwadi, ndinenge ndichitoshaya
kuti ndonyarirepi nemabasa akaipa
andakavaitira Asi ndinongonamata
nechememumoyo kuti mai Tutsirai
ndiregererewo mumwe wangu
ndakatadza chokwadi

Kunyangwe murume wangu


akangosungirwawo hake pasina
akanga asinei nezvandaiita Dai
zvimwe arikuona kuti vana vedu
vadyei uye varara payi

Amai vaTaruvinga vakanga vaakupika


majeri maviri chaiwo vaiita kuzvidya
moyo nemabasa avo avakanga vaita
Chisikana chaMagaso chaipotawo
chichimboshanya kumba kwaatete asi
pakanga pasisina nhaurirano
naMagaso wacho nokuti nhamba
dzaakanga ainadzo dzakanga
dzisisaite kana ukachaya nhare
Kwapera mwedzi miviri foni yaRopa
yakabva yarira achibva amhanya
kunodavira Mwanasikana akarohwa
nehana achiona nhamba dzejoni
dzichimufonera, akangonamata
nechemumoyo kuti dai
akangovaMagaso Zvisineiwo zvinoita
mwari Ropa akadaira zvake runhare
rwake Mwanasikana akafara
achinzwa kuti ndiMagaso Wakava
mukana wekuti chisikana chipire
nhunha dzacho kune mudiwa wake

"Unodzoka rinhi nhai mudiwa wangu",


anodaro Ropafadzo runhare ruchibva
rwadambuka zvinova zvakamubhowa
zvokuti Akairidza tsamwa
mwanasikana chakanga changosara
kupotsera foni kwakadaro asi zvisinei
amai vake vakabva vapinda vanzwa
kamhere mhere "Chiiko chanetsa
nhai Ropa", vanodaro amai vake
vachinogara pedyo naye Ropa
anoramba anyerere zvake achibva
atsikitsira Amai vake vanotarisa
runhare rwake sezvo rwakanga
rwuchiri rwakabaka vachibva vaona
last call yaMagaso, "wataura
naMagaso here"? Anomboramba
anyerere achibva azovapindura,
"hongu mhamha asi pandada
kumubvunza kuti arikudzoka rinhi
runhare rwacho rwabva rwadambuka"
Misodzi yakanga yati mokoto
nematama ose "Pamwe imari yapera
achazofona zvekare, joni kurezve
saka kunodya mari yakati wandei",
vanodaro amai vake vachizama kuda
kumunyaradza

"Iye anoisirei kamari kashoma achida


kutaura neni", anodaro zvekare
Ropa atoita kututa nehasha Amai
vacho vakatoita kunge vaisa mhiripiri
pachironda "Nhai mwanangu asi
ndiye ega mukomana pasi rose
waunobva watoramba nekuteerera
kwose", vanodaro amai vake
vatoona kuti zvokuchanyengerera
munhu kwaitova kupedza nguva

"Mira ndikuudze mwanangu, kugara


kwatakaita pano kana kuti kugara
kwawakaita pano ahuzive kuti kwaari
ikoko arikutsikisa dzipi Unodaro
uchiti hee mukomana wangu izvo iye
zvimwe atorine mhuri joni ikoko
Zvimwe zvacho tanga wanyatsodzidza
munhu wako usangomhanyira kuwira
usati wanyatsoziva mamiriro akaita
munhu waurikufambidzana naye
Ukatarisa vasikana vazhinji
vanomitiswa nemurume wemunhu
asingazvizive paanozoita nhumbu
ndoopaanoudzwa kunzi shamwari
kumba ndinemukadzi wangu
nechekare saka iwe ona zvokuita
Ndangoti ndingokuyambirawo hangu
mwanangu handina kuti Magaso
ndoozvaari asi ndangoti tamba
wakangwara", vanova vanyarara
zvavo amai vake ndookusimuka
kwaakuenda zvavo panze

Ropafadzo akangosara anyerere sezvo


akanga aoma mate mukanwa
nemashoko aakanga audzwa naamai
vake Amai vake vakanga vamuudza
zano chairo Akangodzungudza
musoro zvake achibva ati
kwarakwashu paakanga akagara
Akabva atorana zvake nekademo
kwake ndiye mudondo zvake
kundotsvaga huni Aifamba zvake
achiridza mumhanzi pafoni yake iye
achiiteedzerawo Akabva ananga
zvake kuchikomo chaiva mhiri
kwerwizi rwavaiwachira Akasvika
zvake kwaakutanga kutema zvikuni
zvake achiunganidza Izvo akanga
azivei kuti shure kwake aiteverwa
Akazoti aripakati pekutema
ndoopanonzwa kukosora kwemunhu
shure kwake

Mwanasikana anobva ambomira


zvaaita ndokucheuka shure kwake
Akaedza kutarisa munhu waaiona kuti
aimbova ani asi akakoniwa Aiva
mukomana akanga akachena
zvekuchena zviye Kuchiti kumeso
akanga akarova maboniboni achibva
azoti kopisi mumusoro zvinova
zvakadzimaidza Ropa akashaya kuti
ndiani

Akabva azobvisa hake kopisi


nemaboniboni, chisikana
chakashamisika kuona Tumbare
akachena kudaro
Chaakangokwanisa kushama muromo
achibva atarisa hake rutivi Haana
kuda kudya manonoko akabva
atotanga kusvuura rwodzi kuti asunge
huni dzake aende kumba nokukasika
Chikomana Tumbare chichiona izvi
chinotanga zvacho kuswedera pedzo
zvishoma nezvishoma Ropa akanga
odedera zvino kuti zvimwe pada
ndingabatwe chibharo pakati pesango

Tumbare akabva asvikobata ruoko


rwaRopa

KUPERA KWECHITSAUKO 15
CHAPTER 16

Mwanasikana anodedera mushure


mekunge abatwa naTumbare
Anobva aedza kuvhizura asi
akakoniwa kupunyuka paakanga
akabatwa Tumbare anobva audza
Ropa kuti asapaparike hake "Ko
indawa kungopupurika kunge kahuku
kachekwa musoro, ndinoda kutaura
newe munezvakanaka ini", anodaro
Tumbare achisiya ruoko rwuya "Ok
ndazvinzwa chitaura nyaya yako
yawandirondera muchikomo muno
ndoda kuenda kumba kwedu
nekukasika saka ini ga- ga nyaya
yacho", anodaro zvino Ropa aita
kubata muchiuno uku achitambisa
tambisa hake kagumbo Tumbare
anobva ambonyarara achikwenya
musoro nokuti mataurirwo akaita
naRopa aitoratidza kuti kunyangwe
akataura nyaya yake
havaizombowirirana zvachose

"Ropafadzo mwanasikana ndinovimba


kuti zvandafambira urikutozviziva
nechekare uye hakasi kekutanga
kukuudza nyaya iyoyo, saka
ndinokukumbirawo kuti
unyatsodzikamisa hako hana yako
ufunge nezvenyaya iyi", anobva
ambomedza zvake mate chikomana
Tumbare "Taura hako ndakateya
nzeve hangu", Ropafadzo anobva
apindura zvinyoro nyoro zvinova
zvakaita kuti Tumbare arege kurohwa
nehana Tumbare haana kuda
kuchidya manonoko akabva ati shoko
rake dyooo nemo nemo chisikana
chichibva chatsika hacho madziro

Tumbare akanyengerera Ropa


dzamara chisikana chaakukundikana
nokupindura "Saka wazoti kudi nhai
Ropafadzo", anodaro Tumbare
akatarisa maziso emusikana akanga
oita seajenga misodzi

"Ndapererwa ini handichazive kuti


ndodii chaizvo Ndikabvuma
Tumbare chikomana Magaso
chikazouya zvichazopera sei
Ndikarambazve mukomana iyeyu iye
Magaso wacho akasadzoka ndinozodii
Chokuita chaicho ndipo pasina
handizive kuti ndotora divi ripi
ringandiendese mberi", aripakati
pekufunga zvake Ropafadzo
anovhundutswa nerunhare rwake
rwakanga rwotanga kurira Anobva
aona wanike inhamba dzaMagaso
dzaimuchaira nhare

Mwanasikana akadavira azere


nomufaro ndookutaura nemudiwa
wake munezvakanaka Paitaura
Ropa pafoni chikomana Tumbare
akanga aita kututa nehasha
nechekare Akazopedza zvake kutaura
parunhare achibva ati, "ndinofunga
wanzwa mukomana wangu achifona
saka iwe neni hatisikumbofa
takazodanana, kana mukomana
wangu arimupenyu Achingopedza
kutaura akabva asenga zvake huni
dzake kwaakutanga kuenda
Tumbare ashaya kuti odi chaizvo
akangosara akayeva chisikana
chichitopfanyangura hacho matama
enzira chakananga kumba

Mukomana akazunza hae musoro


kwaakuburuka hake gomo nerimwe
rutivi ndookunanga kumba kwake
Chakanga chatova pedyo nekupinda
machena chikomana asi runhare
rwakazorira urwu ndirwo
rwakaendesa zvinhu musango chaimo
Zvimwe dai akanga asina kufonerwa
naMagaso aitozobvuma chikomana
Tumbare Akaenda achingodemba
hake Tumbare nenyaya yekufona
kwakaita Magaso aripakati
pekunyengerera zvake munhu wake

Ropafadzo akananaira achienda


kumba Pasina nguva akanga
atosvika hake kumba nechekare
Paakasvika kumba aiva nomufaro
wakapetwa kaviri nokuda kwenhare
yaakanga aridzirwa nemukomana
wake mushure mekumbotambudzika
zvikuru nekusafonerwa nemudiwa
wake
"Manje ndafonerwa naMagaso",
anodaro Ropa achiita kuvhairira amai
vake "Ndisiye zvangu ini mwana
wamhofu ndokwana papi panyaya
dzenyu", amai vake vanobva
vapindura

( ge-ge-ge-ge ) kwakava kuseka


kwavaviri zvavo semazuva ose
"Ndingatadze kuvhaira hangu ini
ndichida munhu wangu nemoyo wese
here nhai mhamha Manje chero
zvikanzi zuva rabuda nekumadokero
Magaso handimbofa ndakamusiya,
uye ndaane chivimbo chokuti
arikuziva kuti ndiriko", anodaro
Ropafadzo achitaura zvake achirasa
rasa maoko "Ini zii zvangu
ndoosaka ndamboti siyana neni iwe
ndiwe unoziva munhu wako
pamakapfimbana maiva vaviri ini
ndakange ndiripo here ini",
vanopindura mai vake vachibva
vatanga zvavo kusunungura rwodzi
rwakanga rwakasunga svinga rehuni
rakanga rauya nemwana wavo

"Ko mhamha ndazokuudzai here


yazotambika kuhuni"

"Nyaya dzako hadzipere Ropa ahhh


Kwambonyatsoitikeiko kuhuni
kwacho"

"Ndazoti ndiripakati pekutema tuhuni


twangu hameno changonditi
ndicheuke wanike Tumbare uya
anogara mhiri uko wandaikuudzai kuti
akamborohwa naMagaso akamira
shure kwangu Abva atanga kutaura
hake nyaya isina nemusoro wese"
'Saka iwewe wamuti kudii manje
ndaakuda kunzwa mhinduro
yawamupa'

'Chinzwai manje tiripakati


pekukakavadzana ndipo pabva pafona
Ddy Magaso ndaona achiita
kubatikana zvakanyanya nekuti
ndazenge ndaakutotaura zvekuda
kumusvotesa chaizvo'

'Inga hako asi ngwarira munhu iyeye


nokuti anogona kukurongera dende
pamberi apo nekuda kwekurwadziwa'

'Manje akatodaro ndipo paye patinoti


adenha mangwiro otokwinya nokuti
pazvinosvika munzeve dzaMagaso
handifungi kuti panodyiwa rinopisa
ipapo, plaz mhamha kana munhu
asingadiwe haadiwe chaunoramba
uchiti pikerere nemunhu asingakude
chiii'

'Ndangodarikawo nepo mwanangu


Changu kukupa chenhedzo chete
nokuti takabva neko kumhunga
hakuna ipwa Chimbogaya kuti
tomboti wabatwa kana kuti
vakupamba zvorega kusvika munzeve
dzake unotiwo isu tingazogona
zvekurwisana nevanhu here'

'Musafunga muchidaro mhamha


hazviiti sokudaro ndichazama hangu
kuzvichengetedza'

'Ndoisaka ndiripo kukuudza mamiriro


ehupenyu mwanangu nokuti apa
pavakutoda maziso seekatsi chaiwo
Kana zviya zvekuchafamba famba
zvisina netsarukano wotombomira
Kana uchida kutofamba unotofanira
kutorana nekahanzvadzi kako
mofamba mose nokuti zvandirikuona
zvazoitika kumberi uku hazvifadzi
kana kamwechete zvako'

'Ndanzwa kureva kwenyu ndichaita


saizvozvo'

Vaviri vanobva vapedza zvavo


nhaurirano yavakanga vachiita
kwaakuenderera zvavo mberi
nemabasa avo

KUPERA KWECHITSAUKO 16

END OF SEASON 1
Thank you guys for
supporting me

Kune vachada kupedzisa


book contact me pa
0787080914, 0789919785 and
0718134995 Mubhadharo
webook its 1000 Rtgs ecocash
pa0787080914 L M then
airtime its 1200 Rtgs netone
munoisa 0718134995 kana iri
buddie airtime munoisa
chero pane mbiri idzodzo

You might also like