NDAIMUDA

You might also like

Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 246

*NDAIMUDA*

STORY By OXEY
0788491505

*Introduction*

_Ndichabata bata zvakawanda nemumwe


mutovo wamusati majaira_
Kwakange kuine twu makore neka mhepo
kaifefetera kwazvo. Zuva rainge rave zvino
kurereka. Jorum semunhu akange anonoka
kupedza basa zuva rapfuura akange anonoka
kurara zvekuti akaswera akarara musi uyu. "
Ngrrrrrrrrrrr. Ngrrrr ngrrrrr" nhare yake
yakamupeputsa nokurira. "Hello !" Ndi
Runyararo ainge afona . "Hello ndeipi yako?
Handina kunge ndatarisira kufonera newe,
ndange zvangu ndakarara semunhu akanonoka
kupedza basa nezuro. Uri sei hako shar?" "Ndiri
right zvangu Jorum ndasuwa inzwi rako
ndikabva ndati ndiku chaire nhare. Sorry hako
kuti ndakumutsa". Runyararo akabva a dropper
foni. Jorum akasimuka akageza chiso chake
achigaya kuti zvimwe ainge achirota. Akatanga
kufunga madiro aaiita Runyararo uye nguva
yaakapedza ne mufambo kufambira Runyararo
asi achirambwa akati zvimwe ino ndiyo nguva
yaainge akamirira sezvo varungu vane tsumo
yavo inoti "patience sometimes pays better".

.........
Pakange zvino papera mwedzi miviri Ruvarashe
asina kugeza (kutevera kana kutsika) mumoyo
make akange zvino asisakwanisa. Nhare
yaainge yaakumusembura kubata nokuti pose
paaiitarisa aiona message ya Jorum yaakaguma
kutaura naye yaiti " Pawaiti sanganisa na Max
nana Cliff waiti zvichaguma nekupi? Mviro
mviro dzemhanza mapfeka. Wakazvisikira moto
muziso
wega saka siyana neni." Aya mashoko aimudya
mumoyo nguva dzose. Akatanga kusvimha
achinamata mumoyo make.
Jorum rutivi rwe moyo rwaifara kuti zvimwe
Runyararo ava nekamwe kafungiro. Akatora ka
bheke kake ndokunanga kurwizi kudziva
raigezera varume kunogeza nechemumoyo
muera tsoko achiimba kambo ka System
Tazvida "Ndazodiwa nemwana wandaida."

"Gogogoi" ndi Frank ainge ashanyira zvake


shamwari yake Takudzwa kuti vaende kunoona
ma movies ku Cinema yainge ichangovhura pa
mukova we dhorobha re Bela Bela mujoni umu.
"Ndeipi Frank bro? Pinda pinda wangu you are
always welcome. Take a sit man wawana
ndaakutopedza ka cold drink kandanga
ndatenga aka."
"Hazvina basa wangu one glass is enough for
me. Anyway ndauya kuti timbonoona ma Movie
pa waterfront pane New cinema yakavhurwa"
ndi Frank uyu.
"Bva handei coz Kubva zvarabuda zuva
ndandichitoshaya zvekuita."
Vaviri vakabuda zvavo kwakuenda ku cinema
kunotandara. Vakagara zvavo vachifara
Frank
ndine hurombo nokukuudza mashoko awa. Uri
mukomana wandakada uye akandidzidzisa rudo.
Kuti ndizonziwo musikana ndiwe Frank.
Ndinovimba mukati mehana yako rimwe zuva
uchandiregerera. Ndakakundwa nemisakanzwa
kuno kumusha ndikadanana ne mukomana
anonzi Jorum uyo akandipa nhumbu yaava
kuramba Nhasi uno."
Ruvarashe ainyora mwadhi iyi misodzi
yakasvinga mumaziso imwe iri bvachu pfachu
kurerera nematama. "Ndaidisa kuzova muroora
waamai vako uye mai vevana vako
muneramangwana asi ndakakundwa nemiedzo
Frank. Ndaikuda kana nhasi ndinokuda uye
sokuvimbisa kwandakaita ndichakuda dakara
ndafa. Uve nezuva rakanaka. Usazvidya moyo
nezvakaitika. Hupenyu ndokuita kwaho
zvakatoitika. Yadeuka yadeuka asi
ndinokushuvira mufaro usina magumo
muupenyu hwako uye kuti dai wawanawo
musikana akavimbika sezvauri. Ndinotenda
nenguva yatakadanana." Tsamba iyi haina
kugara zvakanaka mumoyo ma Frank.

Jorum akafuma achigeza mangwanani


ngwanani. Akabva abuda hapana akaziva
kwaainge aenda. "Hello Runyararo ndiri pano
pamagirosa ekumba kwenyu, ndokumbirawo
uuye ndinoda kukuona."
"Okay ndipe ma minutes gumi chete
ndinosvika." Runyararo ainge hake achiverenga
ngano nyorwa "KUSASANA KUNOPARIRA" BY
MODEKAI ABENIA HAMUTYINEI. Akasimuka
ndokuenda.

"Ko nhai Frank nezuro wakazongosimuka kunge


munhu aona chipoko kana kutaura chii
chainetsa ?" Takudzwa akabvunza mumwe
wake asi Frank njere dzaisavapo Saka hapana
chaakanzwa. Takudzwa akabvunzazve, " Ko
nhai Frank nezuro wakazongorova kweza kunge
waona goritoto zvakafamba sei?" Aitaura zvino
achizunungusa mumwe wake. " Sorry wangu.
Wambotaura pakutanga?"
"Hongu ndakubvunza mubvunzo mumwe chete
uyu asi hauna kundidaira"
Vaviri ava vaiwirirana kwete zve juzi ne shangu
asi zve mutodo ne bhande. Vakagara pasi
ndokukurukura nezve sms yaainge yapinda
munhare ma Frank pavaiva ku Waterfront
cinema.

"Mhoro nhai Jorum, wafunga kuzondionawo


nhasi?" Runyararo aikwazisa Jorum
achitomubata zvake ruoko.
"Ndakatadza kana kurara mazuva maviri
adarika Kubva zvawafona ndichingokugaya Saka
nhasi ndatobva ndisina wandaudza kuti
ndigone kuzokuona"
Pakataurika nyaya kwekanguva.
"Zvino nhai Jorum kana wati unoda kundiroora
ndokumbirawo undiudze kuti ko Ruva uyo
wawakapa nhumbu oita sei mwana wavaridzi
nemwana wako?" Uyu mubvunzo
wakavhundutsa Jorum zvekushaya kana
mhinduro zvayo.

"Takudzwa ndipowo mota yako wangu


ndimbosvika kumusha ndoda kunonzwisisa
zvizere pa nyaya iyi Kubva kuna Ruva ne
muromo wake." Ndi Frank uyo sezvo yake mota
yaainge yapera ma shocks yaisakwanisa
kumuendesa rwendo rwake .
"Hapana chakaipa uri wangu Frank asi haina
mafuta akakwana Saka wodira hako munzira
uchienda. Chindisiira yako ndiwane
kuzoigadzirisa maskati ano ndigone kufambawo
twunzendo twangu ." Frank akanyudza gumbo
mu tank akananga kumusha kwa Gutu. Pane
kamufambo Kubva Bela-Bela kusvika beitbrigde
zvekuti akatodira full tank plus ma gubhu
jerican maviri aakazadza akaisa kuhomwe
yemota ( boot). Munzira mese Frank akaisa
memory card pa radio mumota achifamba hake
achiridza radio. Mumota umu maiva ne radio
yaiburitsa manzwi akatsetseka zvainakidza
kuteerera . Achisvika pa Engen garage ye mu
Beit-Bridge akambokona kuwedzera mamwe
mafuta kuti asvike zvakanaka. Yakarohwa mota
achisvika pa Ngundu akambopodza motikari
zvake ndokuzosimudzira.

Mushure mekunge vaviri vakurukura vakaneta


nokumira Runyararo akabva ati kuna Jorum
"pane ka eating house kanonzi Masaire eating
house kakabatana ne bakery handei tinowana
kutandara tiri ipapo tiwane zvinotonhodza pa
huro." Vaviri vakaenda vakanogara zvavo.
Nyaya dzaitaurwa chose asi yokutenda
yakaramba kukuda parurimi rwa Runyararo.
"Ndinovimba kuti ucharara uchigaya
nezvenyaya yedu Runyararo ndava kuenda
sezvo kwava kudoka. Ndokuona mangwana
ndichadzoka. Rega ndifambe kuchaonekera
sezvo bhasikoro rangu risina ziso."

Frank semunhu akange ane hasha dzakawanda


akafamba mufambo murefu kwazvo asina
Chaadya kunze kwe mvura yaakange atenga
achisimuka akangoiisa muka cooler bag kaaive
nako. Nzara yakange yaruma ndokumbofunga
kumira muzvima shoping centre munzira
ndopaakatenga half yechingwa ne cascade
ndokupinda mu mota ndokusimudzira rwendo.
"Wandakapa moyo wangu ndichiti ndagona
ndiye akaubaya!!!"""" Kakaiswa pa dzokororo
kambo moyo uri kwaiendwa . Chero vanhu
vaainge akwidza munzira Havana kuita vese
nyaya achiridza chete Mathias Mhere wake
akanyarara hake. Ruva akaramba achirwadziwa
nokufunga mazuva erudo rwake na Frank
pavakatanga kudanana nepaakatanga kuziva
murume. Akatodira nhare yake achiverenga
tsamba dzese dzavainyorerana ku whatsapp
ndokumboita seadzikama mumoyo nokuti
dzimwe dzacho dzaimuvaraidza. Paakazotanga
kuverenga dzavainyorerana na Jorum akanzwa
hasha moyo kusvibirwa achibva atanga
kuchema.

Ko dai Jorum akaziva kuti Runyararo yaiva


hanzvadzi ya Frank waainge atorera musikana
akamukanya uye kuti Frank uyu aiva iye
waidanana na Ruva zvaizofamba sei.
Mambakwedza nhunga dzichakatsvuka Jorum
akanyora sms kuna Runyararo ndokumuudza
kuti aizosvika nenguva pfupi.

Ruva ari mukushushikana akabva apindwa


neimwe pfungwa. Akanzwa seinzwi raitaura
"Tumira ma photos a Jorum kuna Frank."
Akabva aenda ku gallery ndokutumira Frank ma
pics a Jorum.

"Ngrrrrrrrrrrrrrrrrr!"" Runyararo svika pa


township izvozvi wondiudza kana wavapo pane
zvandinoda kukutumapo", ndi Frank uyu aifona
ne number dzainge dzakaitwa roaming zvekuti
Runyararo haana chaakambofunga akangoti
zvimwe hanzvadzi yake iri ku South Africa.
Akabva abatanidza rwendo rwa Jorum
nokutumwa akati mukana ndauwana
wekubuda pamba sezvo mai vake vaifungira
kuti pane zvirikuitika. Akabva a dropper foni
Frank akaona pane whatsapp message achibva
avhura. "Sorry Frank ndiyo nyoka
yakandiputsira future yangu newe iyo
mbwende yava kuramba mwana wayo " I
message yaainge yabva kuna Ruva. Pazasi
painge pane ma photos a Jorum.

Mushure me 15 mins Jorum aka fonera


Runyararo akamuudza kuti ainge asvika.
"Ndimirire ndiri kusvika now now ndatova pano
pa butcher rekwa Mujuru. Runyararo achisvika
akatanga kuona Jorum. Pedyo navo
ndopakange pana Frank aka misa motikari.
Akaona chimiro chemurume ainge akamira na
Runyararo ne chiso zvikabva zvaenderana ne
mufananidzo waainge atumirwa na Ruva.
Akanzwa hasha. Ari pakati pekufunga akabva
atora foni kuti anotsoona. Akabva aona hembe
dzainge dzakapfekwa na Jorum dziridzo dzimwe
chete dzaiva pa ma pics aye. Aka nyora
message kuna Takudzwa...
"Shamwari mashura a ndiri kuona anotyisa.
Mface akamitisaa babe rangu ndiye
arikudanana ne hanzvadzi yangu Runyararo,
ndoitawo sei apa kutaura kudai nditori pavari
asi ivo Havana kundiona ." Haana kumirira
mhinduro Kubva kuna sahwira akabva aridza
hooter kaviri. Runyararo paakati cheu wanei i
hanzvadzi yake Frank.......
End of chapter 1

" *NDAIMUDA*

Chapter 2

Story by Oxey
0788491505

Frank akavhura goni re mota ndokudzira


akafuta ne shungu. Akasviko Mira pamberi pa
Jorum akamutarisa ne ziso raiti kana
wakajaidzwa nhasi wakama shumba
uchandiziva zvakanaka.

"Waakuda kumitisa hanzvadzi yangu


womuramba sezvawakaita musikana wangu
Ruva? " akataura achifemera pamusoro
zvekuratidza kuti chigodo chainge zvino
chamugara pahuro. Runyararo akabva ashama
muromo apererwa nemashoko a Frank.

"Hanzvadzi handina kunatsonzwa apo, mati


Ruva musikana wenyu?" Aibvunza achidedera
hasha dzatomubatawo. "Saka imi makazviziva
sei uye iwe Jorum wakazviita nokuziva here izvi?
Kureva kuti uri kuda kutishandisa vana
vanyamunhu kutiita zvituta zvako nhai?"
Akazopedza agadzika Jorum size 5 ye gwati.
Jorum paakati achiri kuona nyeredzi akange
apihwa chematsenga nzungu kare na Frank.
Akati achida kuti ashame muromo
akapfekedzwa chemupfekerwa akaona kuti
pano zvino paipa jaya rikati bhasikoro
ndinotenga rimwe upenyu idiwa kamwe.
Akamhanya zvekuti kana mhepo yaisara pasi.

Takudzwa haana kuwana zororo Kubva


zvakasimuka Frank nokuti Havana kumbotaura
vese. "Ngrrrrrrrrrr" akabva atanga kufonera
Ruva kuti anzwe kuti Frank akange asvika here,
"Hello! Ndiyani uyu? ", Ruva akabvunza asi
necho mumoyo aifunga kuti zvimwe Frank
ainge achinja number. "Ndini Takudzwa
shamwari ya Frank. Frank akasimuka kuno
nezuro achiuya ikoko haasati asvika here?
Ndakanguva ndamirira nhare Kubva kwaari asi
haasi kufona."

"Mati aka simuka achiuya kuno? Handisati


ndamuona kana asvika ndichamuudza kuti
mange muchimutsvaga. Ndiye akakupai
number dzangu?" Ruva akabvunza Asisina
mufaro. " Ehe akati ndimutsvage ipapo nokuti
akati auya kuzoona iwe. Akange azosvika
mumuudze kuti ndambofona." "Okay maita
basa." Takudzwa akabva a dropper foni.

Frank na Runyararo vakange vangodzvokorana


se machongwe a neta nekurwa." Ko nhai
mukoma Frank maziva sei kuti Jorum ndiye aka
mitisa Ruva?"
Akabvunza Runyararo . "Ndatumirwa ma pics
ake na Ruva asi haazivi kuti ndiri kuno anofunga
ndichiri ku mhiri. Manje imbwa iyi ichandiziva
zvakanaka. Yakakanya musikana wangu aindida
kana neni *NDAIMUDA*. Ikozvino ava kuda
kuita same thing ku mwana waamai vangu?
Kutondiita benzi ka uku?" Frank ne hanzvadzi
yake Runyararo vakapinda muma shop
ndokutenga twushoma ndokuenda kumba.

"Tititititititi" message yaka pinda mufoni ma


Ruva. "Saka iwe wakaona zvakanaka
kunditengesa kumhondi yako kuti indiuraye
handiti? Manje uchakaura naro zimimba rako
iroro ne gora rako haufi wakandiona kwauri.
Zvese zvinokunetsa uudze zimhondi rako. Apa
randikonesa kuonana nemusikana wangu
Runyararo. Kana uchigaya kuti ndichachinja
moyo kanganwa gudo remunhu". Mashoko awa
akarwadza Ruva asi kune rumwe rutivi achiti
wakaura wanakirwa. Akukonewa Frank dai
akuremadza.

Frank akangogara nguva diki achikwazisana


namai vake nevamwe vese pamba. Akabva
ageza ndokuti "Regai ndimbosvika kwa Ndawi
kune nyaya dzandafambira ikoko." Akapinda
mumota ndokuitsika mafuta kwazvo akananga
nekwa mutete via Mukoko. Ndiye uyo nekwa
munhukwaye via ruvizho. Nzira iyi ine mapiripiti
sezvo iri ye giravheri asi muchinda kana
kuzvicheuka. Akatopotsa atsika dhongi pana
Madzingo achangodarika pa Mukoko.
"Ngrrrrrrrrrr" Ruva akafonera Takudzwa kuti
anzwe kuti Frank akange asina here kumbofona.
"Hello Ruva . Asvika here mumwe wangu?"
Akabvunza Takudzwa. "Haasati ndati ndifone
ndinzwe kuti haana kumbofona here ikoko
nokuti pane munhu anditumira ma sms achiti
abatwa size yakanaka na Frank nehanzvadzi
yake Runyararo asi iye Frank haana
kumbofona". "Aiwa handina chandati
ndanzwa."

"Mhoroi amai. Ndinonzi Frank ndinobva kwa


chagwiza ndinotsvagawo musikana anonzi
Ruvarashe."
Uyu ndi Frank aibvunza vamwe amai vaive
vachi chera zvavo mvura pachi bhorani kuma
raini kwaana Ruva." Zvino mkwasha kana dai
ndiri ini amai va Ruva handiti Chaidai chitori
chibinge ichochi? Ruva aripo hake pamba pavo
apo pamunoona pane imba ine marata
matsvuku apo. Ndimi kanhi baba vemwana aka
sengwa na Ruva? " Mai Nhidza vaitaura zvavo
vachiseka asi chiso cha Frank vakaona chisinga
ratidzi kufara. Akaseka zvekuzama kuvanza
zvaainzwa asi chiso chakamukurira.
"Kwete amai ndingoriwo shamwari ya Ruva
takadzidza tese pa Mukaro missions high
makore mashoma adarika Saka ndangouyawo
kuzomuona. Maita basa amai ndiri pakumhanya
regai ndimuone ndifambe."
Frank akapinda mumota make achibva ananga
kwaana Ruva.

Runyararo akasara achigaya nokuchema ari


munhanga make. Shungu dzaimusvota kwazvo
apo ainge akatarisa pa profile picture pa Jorum
achizvibvunza mupfungwa kuti "Ko ndange
ndabatwa neiko neniwo kuzoda munhu uyu?
Kuti Kunaka Kwake kwepauso kwada kuba
moyo wangu? Ndinotenda Mwari
mandisvinudza ndisati ndanyura murudo nokuti
ndaizo rwadziwa". Ari mukufunga uku akabva
atanga kunyora sms kuna Jorum.
"Saka ndohunhu hwako hwekufamba uchi
dyara vana pese pese sembeu dze zviyo
dzinopepereswa ne mhepo? Manje pano zvako
wange wa presser wrong button. Handisi type
iyoyo. Anyway I wish you the best in your life
but I will never forgive you or forget what you
did to my family " akabva abaya send messages
yakabva ya deliver.

Frank akasviko paka mota yake pa gedhi


pemusha wokwana Ruva. "Tosvikeiwo pano",
ainge asvika. Ruva akanzwa kuti iro inzwi ainge
ariziva . Hana yakarova zvekuti akademba kuti
dai imba yamumedza achishaya kuti
aizotarisana sei na Frank mushure mezvainge
zvaitika. Akazongoti "Chero zvazvaita". Akabva
abuda panze achidaira"Svikai zvenyu". Vaviri
vakatarisana maziso ne maziso. Pakapera nguva
vakadzvokorana se shumba ne mvumba pasina
aitaura. Misodzi yainge zvino yazara mumaziso
ma Frank Yakabva yatanga kuyerera. "Ko nhai
Ruva zvawakabva ku South Africa uchiti
waakuzombogara ndokugara kwawaireva uku?
Ndiudzewo chokwadi. Nhumbu iyi ndeyangu
here kana kuti? Ine mwedzi mingani?"
Mibvunzo iyi yakadairwa ne misodzi...

Jorum zvaakasvika kumba akasviko Gadza


mvura ndokuisa munyu kuti atove mafindifuva
semunhu akange abatwa size yakati nakei.
Paakazo vhura ku whatsapp akaona message
yainge yanyorwa na Runyararo achibva
angopera simba akarara.

"Ruva ini ndakuona zvakwana ndava


kudzokera." Achitaura achi simuka kuti
achidzokera Frank.
"Saka watii ne zvandiri nhai Frank?"
Ruva aibvunza achiyeredza misodzi musoro uri
parutivi achinzwisa tsitsi.
Frank akangodzungudza musoro akabva
abuda.........
End of chapter 2

" *NDAIMUDA*

*Chapter 3*

*STORY BY Oxey*
0788491505

Jorum akange apihwa size yainakidza. Akanyara


kufamba achionekwa munharaunda maaigara
pane kamwe ka mine kaaishandira. Akatumira
twuvana twepamba paaigara kuti tumutengere
mapiritsi ekunyaradza marwadzo.

Ruva akasara achibatikana kwazvo mumoyo


nezvainge zvaitika nemashoko ese akataurwa
na Frank. Aingochema achitaura ega muhana
"Ko ndakaitei nhai Mwari wangu? Chionai
hubenzi wangu hwandisiisa na Frank
nekumuda kwandaiita nemadiro aaindiita
ndotangirepi apa ndava nemwana achakura ari
Nherera baba varipo asi vamuramba achiri
nhumbu". Akachema kusvika misodzi isisabude.

"Mhai ndava kudzokera ndofunga zvandange


ndafambira zvagadziriswa and mangwana
ndinofanira kunge ndiri pabasa", ndi Frank
achioneka amai vake. "Zvino nhai Mukanya
wangu zvandisina chandange ndagadzira bva
chitongoendawo nezvinyimo izvi wonobikawo
mutakura uchinge wasvika". Vakaonekana ne
hanzvadzi yake Runyararo achibva apinda
mumota hake ndokuenda.
"Ngrrrrrrrrr" Takudzwa akanyemwerera
achiona nhare ichiratidza kuti aifona ndi Frank.
"Hello!! Shaar ungazobvawo wangonyarara
kana kutaura kuti wafamba sei?" "Sorry wangu
hasha dzanga dzakandibata zvekuti ndakatya
kuti ndikakufonera ungada kubvunza
zvakawanda ndikazokudaira zvisizvo
tikakanganisa husahwira hedu. But anyway now
I'm relieved. Ndati ndikuzivise kuti ndaa mu
beitbridge ndosvika soon".
Runyararo akava nekushushikana nehasha
dzakamutuma kufunga zvakawanda uye
kudzoka kwendangariro dzezvakadarika
munguva shoma. "Hello Romeo,
ndangofungawo inzwi rako nhasi shaar after a
long time tapesana. Uri sei hako?" Ndi
Runyararo ainge hake afonera mukomana
waakambodanana naye pachikoro pavaidzidza
pa Mupandawana High school.
"Yes kani Runyararo. Ko foni yako yaimbenge
isingapindi nei? Ndakafunga kuti zvimwe
wakandikanganwa handichimo munjere dzako.
Anyway uri sei hako? Hope all is going well by
your side hey." Pakataurwa nyaya dzakati
wandei sezvo vaifonerana havo ne mahara e
net one.
Akange ava zvino masikati Frank ne shamwari
yake Takudzwa vava pa lunch sezvo vaishanda
vose. "Saka nhai shar urikugayei ne zvakaitika
izvi?" Takudzwa akabvunza mumwe wake.
"Sahwira life ndozvaitori. Kana ukaona
uchirarama mutorododo paunozosangana
nemakwidza unofenda mumwe wangu.
Chandakadzidza ndechekuti usafa waperera pa
musikana chero akakuratidza rudo. Ndinotenda
kuti handina kuva benzi zvekutenda zvese
zvaitaurwa na Ruva nezuro. Wekuroora
ndichamuwana kana nguva yakwana. And I'm
sure she's out there waiting for me."
"Handirambe kuti she maybe there iye
achazova mkadzi wako asi Ruva waimuda
wena", Takudzwa akaseka achirova zvake
mumwe wake pa pfudzi. "Handirambe Tman
kuti ndaimuda mwana uye shaar, Ruva
*NDAIMUDA* asi akanditamba seri kwa
nzungu ndamenya. Kundiridzira chitekete
mugotsi wena. Kana nanhasi ndiri kurwadziwa
hako". Lunch yainge yave kupera vakasimuka
ndokugeza ma lunch boxs avo ndokudzoka
havo pabasa .

Runyararo mumoyo make akatanga kuona


mufaro ne rudo rwake na Romeo pavaiva
pachikoro. Zvakadyara nyemwerero pauso
hwake zvokuti akatombonyura murudo ariega
kunge munhu ari kuhope. Pashure pekanguva
akazoona kuti dzaive chete ndangariro chaisava
chokwadi. Akabva azviudza kuti chaunoda
chose ukachiita nemazvo unochiwana. Akaenda
pa foni yake ndokuenda ku music player
achibva atanga Kuridza kambo "one munhu
wandino believer ndeuyo abuda pa mirror "
akatanga kuva ne confidence nenyemwerero.
Ruva akange asuwa mufaro. Muupenyu hwake
akaona sekuti nyika yese yainge yamufuratira
hapana aimuda . Akaedza kuzvivaraidza
achiimba ari ega achiita seaivaraidza mwana ari
mudumbu. "Mai Ruva mukadzi wangu ndasuwa
kumba. Nhasi chaiye ndotombo taura na shefu
vandipewo mwedzi wekuzorora timbonoona
mwana anyanyogara ega senherera pamba"
ndibaba va Ruva vaitaura havo navadzimai ku
Hippo valley kwavanoshanda kutema nzimbe.
"Idama rakanaka Ba mwana kana neni
ndamusuwa plus vanasikana vezera ra Ruva
ndovanoita misikanzwa tingawana zvava
zvimwe ". Ko vaizivei kuti it was too late for
mama. Ko iye aizoitanga sei? Tariro aiva nayo
kuti zvimwe Jorum aizochinja mafungiro.
"Ngrrrrrrrrrrrrr",akaichaya kuna Jorum this time
on private sezvo akaziva kuti haazodairwa kana
aingofona ne number dzake ."Jorum Ndini
hello",akataura akadzikamisa hana. Akanzwa
kuchema."Hello Jorum. Ndini Ruva ndokumbira
usandi dropper pane mashoko andinoda
kukuudza ." "Taura ndakateerera ",Jorum
akadaira. "Wakandipinza parumananzombe
Jorum mudiwa. Vabereki vangu ndichavaudza
kuti Chii nedumbu iri ? Mkomana wangu
aindida haachadi kana kunzwa nezvangu
nenhau iyoyi. Chii chandakakutadzira kuzosvika
pakunditsvinyira zvakadai?" Mhinduro akanzwa
nhare yave kuti titititi kuratidza yainge ya
dropewa.

"Romeo kubva pataka paradzana paye


kuchikoro nanhasi ndichiri kukugaya. Handina
mumwe mukomana andakambozoziva kunze
kwako. Moyo wangu unorovera iwe chete.
Ndakazviudza kuti iwe ndiwe uchava baba
vevana vangu uye tichapesaniswa ne rufu.
Ndokumbira kuti tisangane pa gutu growth
point mangwana." Akabva abaya button 're
send message yaka deliver ichibva yaisa ma tick
maviri e blue kuratidza yainge yaverengwa.
Akaisa nhare yake kwakadaro ndokutanga hake
ku rongedza mumba achiimba "Dzimwe nguva
kushingirira kushingirira kune pundutso wani
nhasi ndadiwa ka musingafungire". Romeo
paakanzwa message mufoni akabva aiverenga.
Chinhu chakatanga munjere make kuzvibvunza
kuti ichokwadi here ichi kana kuti kunditsvaga
kuri kuita Runyararo.

"Takudza shaar ini ndaakuda kusiya gota ",


Frank aitaura zvake vaviri vachiona Tv mumba
ma Frank vachinwa whiskey. "Kkkkkkkkkk haaa
ndazoona Ruva akakurwadzisa hama. Wabva
wafunga kutsvaga wekuroora? But zvakanaka
chose kana uchinzwa zvaakukuitira roora . Isu
tisu ticharoora here? Hatiroore zvekumhanya.
Ndoda kumbodya amount yangu ndiri by one
no disturbances. " Takudzwa aitaura hake
achiseka. "Uuuuuummm shaar hwaausiku
ndakumbonorara nhasi chishanu vafana
vepoho vangazondiita yese yese paka mukoto
kekuenda kumba kwangu ngationane
mangwana Ok." Ha ihwe usaita kunge kuno
kusina hope mhani. Torara kuno". Takudzwa
akadaira achirova rova
pamubhedha."mubhedha muhombe uyu
tinonatsorara bho". "No shaar ndopazirwa imba
mazuva ano va fana ava vari hot ngatitambe
mangwana sezvo iri weekend haishati." Frank
akabva abuda ndokuenda......
End of chapter 3

*NDAIMUDA*

*Chapter 4*

*Story by Oxey*
0788491505
Frank akamuka akananga zvake mutown achiti
ambonoona zvaangatsvage zvemumba make
ozodaidza sahwira wake kana adzoka
vozotandara zvavo vachiona nhabvu pa Tv
masikati sezvo vaisashanda nomugovera.
Paakasimudza chiso chake achiringa mberi
kwaaienda akaona seasonal nyenyedzi. Akaona
mwana ainge akanaka zvekunaka zviya. Akange
akapfeka manyezunyakata aivaima sedenga
remuchando. Akaridza bhera remota
achitsaukira parutivi kuti ataure ne musikana
uyu. Zita remusikana uyu ainzi Miriro. Uyu
mwana ainge akanaka zvomeno chero upi
murume haangatarisi kaviri asingade kusvitsa
shoko. Frank nayewo akange ari murume
womene akasvika ane chiso chakanaka
nehutema hwakafanira. Akatanga
nokumhoresa.
"Makadiiko sister? Sorry maybe you are not a
shona speaking person. Anyway, how are you
my sister?"
Miriro achitarisa Frank hana yake yakarova
chiso chake chakafukidzwa negore renyadzi.
"Tiripo mukoma makadiiko henyu? Ndinotaura
shona zvangu. " akadaira achinyaririra
achitarisa kurutivi.
"Ko madii ndikubatsirei netsoka kusvika pa
dhorobha nhai sisi?" Unongozivawo kana
wanga uchifamba netsoka kuchipisa uye kana
wawanawo ane moyo unerudo akada
kukubatsira unobvumawo ka. Musuwo
wakavhurwa Miriro ndokupinda mota ichibva
yatanga kuenda."Saka nhai sisi munofamba
netsoka kuchipisa so hamutye here kubuda
muhotwe ( mututu)?" Frank akabvunza hake
asingaratidzi kuti anezvaainge akateya.
"Ndangotojairawo zvangu kufamba netsoka
plus hapana wani kunyanyoreba. Chete imi
henyu majaira kufamba nyore".

Runyararo na Romeo vakaronga zuva rekuti


vaizosangana pa growth point. Vakawirirana
zuva racho. Runyararo akaona sekuti zvaitora
nguva refu kwazvo kuti musi wavainge
vawirirana usvike. Nechomumoyo aigara
achiimba zvake twunziyo twe rudo
achizvivaraidza.

"Shefu ndokumbirawo mwedzi watinobata


kuswera mangwana uyu ndimbonoona mwana
kumusha nekuonawo mamirire ezvinhu sezvo
kumba kusina munhu mukuru ariko." Vakadaro
baba Ruva vachitaura nemukuru wepabasa
pavo."Zvakanakai baba Ruva ndinoziva chimiro
chehupenyu hwenyu. Makasununguka zvenyu
kumbozororawo. Vakabuda zvavo vakaenda
kubasa kuchipedzisa zuva ravo.

Frank na Miriro vakange vasvika mutown.


"Ndokumbirawo ka number yako sha
ndozokubata ndava kumba."
"Aaah handifariri kupa vanhu ma number angu
nokuti vanhu vanonetsa " akadaro asi
nechemumoyo achiti "apa ndabata mhene
manje pamwe ndomuchato wandinosishuvira
uyu." Akaburitsa nhare yake muka bheke kake
ndokuti ndokupawo iwe wondipa yako
ndigoziva kuti ndiyani kana waakuzofona."
Vaviri vakapana ma number ndokuparadzana.

Mazuva aiwanda ka kuna Ruva dumbu richikura.


Stress yaiwanda. Mazano aipera moyo
uchirwadza kushaya kuti ko vabereki
aizovaudza kutii nenhumbu iyi.

Jorum akamboedza kufonera Runyararo asi


ainge ablokwa ma calls ma sms neku whatsapp.
Akapererwa nemazano. Kuti adzokere kwaana
Runyararo aitya kuti mabiko aainge amboitwa
aizopamhidzwa sezvo aisaziva kuti Frank
anogona ariko kana kwete. Akazvidya mumoyo
asi akashaya chokuita.
"Mai va Ruva, ndataura na shefu kubasa zvaita
Saka weekend tiri kuenda kumusha" ndi baba
Ruva vaitaura zvavo nemudzimai Wavo
vakadekara pasofa semunhu ainge aneta
nekutema nzimbe muswere wezuva.
"Pakanakai Madyira asi Ruva haafaniri kuudzwa
kuti tirikuuya kutiita kana pane zvaari kuita
tigomuwanikidza akarivara" ndiamai vaipawo
maonere avo.

Frank akafonera Miriro kuti vachipedzisa nyaya


yavo sezvo ainge aguma anzi ndombonorarawo
ndichigaya ndozokuudza
mangwana."Ngrrrrrrrrrrrrrrr" yakarira nhare ya
Miriro. "Hello Frank. Wamuka sei zvako?"
Akadaira nenzwi rizere nerudo.
"Ini ndamuka zvangu nyamatsatse yemoyo
wangu wamukawo sei?" "Ndamuka zvangu.
Kowakafamba sei nezuro?"
"Ndakafamba zvangu bho kukufunga chete
wena. Kana kurara kwakanditi netsei. Saka
wakazotii nenyaya yangu nhai Miriro? " haana
kuda kuswero rova imbwa akaviga mupinyi.
"Nyaya yako ndakainzvera ndikaona yakanaka
Frank asi ndoda kuziva kuti hauna mukadzi here
uye hurongwa hwako neni ndohwei?" Mashoko
ekudiwa akafadza zvokuti dai Miriro aiona
ainatsoona kuti asunungura zvanga
zvakasungwa.
"Handisati ndakamboroora Miriro kukuudza
chokwadi chose. Uye ini ndafarisa kunzwa kuti
wakafarira mashoko angu. Ini hurongwa
hwangu ndohwe kuroorana newe. Ndavakuda
Kubva mugota uye ndoda maivangu Vavewo
nemuroora." Vaviri vakataura twakawanda
kwazvo vachiseka zvavo nokufara parunhare.

Zuva remugovera rakasvika. Runyararo kaenda


pa road ndokubata kombi onanga growth
kunoona Romeo.

Mamwe madzinza haatenderi ropa rinoraswa


zvamunoona. Jorum akatanga kurota dzimwe
hope dzaaisanzwisisa. Airota hama dzake
dzakafa kare dzichimurova nokumutuka
vachimubvunza kuti "ko Ruva uyo wawakapa
nhumbu wakamurambirei uye unoda kuti
mwana akure senherera here iwe uripo ?"
Hope idzi dzakamushanyira kwemazuva akati
wandei zvekuti pese paaimuka aisimuka
akarukutika muviri uchidzimba. Izvi zvakaitika
kwemazuva akati wandei asi haana kuzviisa
mupfungwa nokuti aiti angoriwo madzikirira.

Frank akange akagara zvake ne shamwari yake


Takudzwa vachiona Sabhuku Vharazipi. "Shaarz
pane nyuwane yakapenga wangu, ndakabata
nyamatsatse ye mwana,mbama baba", akadaro
Frank achinyemwerera chiso chakazadzwa
nomufaro.
"So you mean to tell me that you already have
Mrs right already? Big up apa wangu hauite
wakapenga ufunge.
Ndakazviziva kuti Ruva arikupresser wrong
button by betraying you. Akayambutsa datya
achifunga arigona kuri kavira mhiri kwe dziya.
Kakakakakakaka wangu sahwira! !!!,ndovimba
newe pane zvese. So tell me! When are we
gonna see this lucky lady and anombonzi ani?"
Takudzwa akabvunza mumwe wake asisagone
kumirira .
"Anonzi Miriro arikuuya nhasi maskati for
lunch in the house and you my friend will be
here." Vakomana vakabata zvavo vachirovanisa
ma glass e Champaign "Cheers " vese
vakadaidzira nemanzwi ane mufaro.

Nguva dzakange dzava pana 12:35 masikati


Runyararo akange amirira Romeo pashop
yekwa mapondera pa growth point. Pasinawo
kanguva Romeo akabva asvika.
"Yes kani Runyararo ! Looking as gorgeous just
like before! Runako rwako rwaramba kupera
wena." Akadaro achimbundirana na Runyararo.
"Kkkkkk Romeo asikana, kana newe you look
much handsome than ever before ufunge."
Runyararo akange atomerera. Ndangariro
dzemazuva avo vachiri vese na Romeo
dzakamupinda misodzi ndokutanga kuyerera.
"Ko wavakuchemei nhai Runyararo? "
akabvunza Romeo asisinawo mufaro.
"Muupenyu hwangu Kubva zvataguma
kuonana handina kuwana mufaro
sewandaiwana ndiinewe Roe ufunge hako.
Ndange ndakusuwa. Handisi kuchema
kwekurwadziwa asi kuchema kwemufaro."
Romeo akambundira Runyararo
ndokumutsvoda achibva ati nekanzwi Kari
sweet "In hard and soft times Runyararo I will
always be there for you for better for worse."
Mashoko anotapira kudaro tinoziva ari
epamuchato asi Romeo akaataura nemoyo
unoda kumusikana wake waakanga ava
nenguva asina kuonana naye Runyararo.

Vari pakati pokufara zvavo vachiseka nekunwa


zvavainwa Frank na Takudzwa vakanzwa knock
pamusuwo. "Gogogoi", ndemumwe waigara
pamba pamwe na Frank ainge auya kuzoudza
Frank kuti pane musikana ainge asvika
achimutsvaga. "Ndini meza ndauya kuzokuudza
kuti pane munhu arikukutsvaga Frank."
Munhu uyu ainzi Mavengano akabva adaidza
Miriro, "huyai henyu kuno hanzvadzi aripo
Frank."
Miriro akabva auya ndokugogodza achipinda
hake mumba maiva muna Frank na Takudzwa.
Vakapana hug ne kiss na Frank vakabva havo
vagara pasi."Takudzwa! ,this is my soon wife to
be. Anonzi Miriro. Babe! Uyu ndiye sahwira
wangu wandinotamba naye pane zvese
zvandinoita ndinoita naye. Anonzi Takudzwa."
"Hevoi maiguru. Frank ndinomutora samukoma
wangu nokuti pane zvese zvandinoita anondipa
mazano uye sekutaura kwaaita zvatinoita
tinoita tose saka muri maiguru since ari mukuru
kwandiri." Vaka mhoresana ndokutandara
zvavo nyaya dzichitsva.

Zuva remugovera rakasvika baba na mai Ruva


ndokuenda kuchiteshi kuti vaende kumusha.
"Mai va Ruva ndinodaira kuti matora twese
twamungazoda kumusha sezvo tichinoita
mwedzi wese tiriko zvinhu kumusha zvinodhura
musakanganwa." "Ndatora baba vemwana
maita henyu neyeuchidzo." Bhazi rakasvika
vakakwira havo vakaenda.
"Babe hona zuva rava kudoka. Ndozonotukwa
na mai kana kutorohwa chaiko ndikasvika
kwadoka . Uye makombi anonetsa ekuenda
kumba mugwagwa wedu wakashata Saka
vashoma vanofambirako." Runyararo akataura
ava kuratidza kuti avakuda kuenda zvino.
"Zvakanaka babe chitora $20 iyi wozotenga
airtime wopotawo uchindifonera kana
wandifunga. Vaka mbundirana Runyararo
achibva aenda hake uyuwo Romeo achiendawo
kwake. Akafamba chinhambwe ne
nhendeshure achitaura ne musikana wake
vachidaidzirana havo.

Pakaita mazuva Jorum achisangana nehope


dzake. Akange zvino omuka akazvimba
achivaviwa nokurwadziwa muviri wese.
Anofunga kumbonoona Ruva kuti anzwe kuti
hapanawo here zvimwe zvaaisangana nazvo
mukurara zviri maringe nenhumbu yake......

End of chapter 4.

*NDAIMUDA*

*Chapter 5*

*Story by Oxey*
0788491505

Monday Frank na Takudzwa vainge zvavo vari


pa lunch kubasa kwavo vakagara havo
pamumvuri sezvo kwaipisa musi uyu.
"Takudzwa mumwe wangu ini ndazvipira
kuroora Miriro sahwira ." Akadaro Frank
akagara akazendama zvake nedombo.
"Ko nhai Frank inga hamuna kana mwedzi miviri
madanana wani manga madzidzana nguvai? "
Takudzwa akabvunza mumwe wake.
"Shamwari ndakadanana na Ruva makore
matatu zvaunoziva kuti rino range ratova
rechina. Chii chakazondiitikira? The sooner the
better ndava kusiya gota kunewe kana uchiri
kurida hako." "Hapana chakaipa mumwe wangu
usakanganwa kuti takatsidzirana kuti munhamo
nomukufara tichamira tese. Kana pane
zvaunoda ndikubatsire nazvo ziva ndiripo. We
are brothers for life Frank handife ndakusiya."

Jorum akasimuka akapinda panzira kuenda


kwaana Ruva kwa ndawi. Ruva akashamisika
kuona call ya Jorum mu foni make "Hello!"
Akadaira nenzwi risina simba."Kwakanaka here
nhai Jorum kuzondifonerawo kana kuti pamwe
foni yabaika yega?"
"Ndokumbirawo kukuona ndiri pano
pachibhorani pamunochera mvura pane
zvandinodawo kumbotaura newe. Hana ya
Ruva yakarova akazvibvunza kuti chii chainge
chaitisa kuti Jorum ade kumuona with such a
short notice mushure me mashoko aainge
amuudza mazuva mashoma ainge apfuura.
Akazvipa shingiso ndokubuda onanga
kuchibhorani.

Pakange pasara nguva shoma kuti baba na mai


va Ruva vasvike pachiteshi pavaidzikira
bhazi."Dai tangoitawo rombo rakanaka
tikawama zvimota zviripo pachiteshi ini hangu
handichada zvekumira ndaneta nokugara." Ndi
amai Ruva vaitaura havo nemurume wavo.
"Taurai henyu vadzimai ini ndoda kukasira
kuona mwanasikana wangu nguva iripo
ndikurumidze kuzorora ."

Frank akange ava kumba hake abva kubasa


nekugeza ainge apedza. Akabuda kuenda ku
tuck shop kunotenga airtime kuti azivise mai
vake nhau dzinotapira idzi dzainge dzaitika.
"Hellow mhai! Maswera Seiko kumba uko ne
hanzvadzi yangu Runyararo? " amai Frank
vakanzwa kuti inzwi re mwanakomana wavo
raive nomufaro chose zvekuti mumoyo mavo
vakatoziva kuti pane zvaaida kuvaudza. "Hellow
Mukanya maswera Seiko nhai vambire
zimbovora?" Vakadaira vachitaridza kuti inzwi
remwana wavo rainge ravasunungura moyo.
"Ko ukagonzwikwa kuva nomufaro
wakanyanya kudaro mwanangu asi
wasimudzirwa pa basa?" Vakadaro havo
vachiseka nedangwe ravo moyo wakachena
semwedzi wechando kufarira kutaura
nemwana wavo nokuti kubva zvaabvako
akange afona kamwe chete uye asingataridzi
kufara. "Mhai ndati ndikuzivisei kuti ndafunga
kusiya gota." Pakamboita runyararo. Mai Frank
vainge varohwa noruvharo nokunzwa mashoko
avaigaro chemera kunzwa nguva dzose nokuti
vainge vanzwa nokudadirwa nechembere
dzomuraini. "Zvokwadi here nhai soko yangu?
Hauzivi kuti wageza moyo wangu sei
nemashoko ako mwanangu",,,vakabva vadaidza
Runyararo ipapo nokupindurwa na Frank vasati
"Runyararo huya unzwepano mwanangu
mhanya!" Vaainge zvino vopenga nomufaro.
Kuita semunhu anhonga dombo rendarama.

"Ruva ndauyawo nezvinondinetsa uchiona ndiri


pano. Handiti unoona mazvimbiro akaita uso
hwangu? Ndanzwa nokurohwa kuhope nehama
dzangu dzakafa kare dzichiti ndiuye
kuzokumbira ruregerero kwauri. Ndakatadza
Ruva nezvandakaita kwauri ndinokumbirawo
ruregerero." Achifunga mashoko aakaudzwa na
Jorum akanzwa hasha moyo kusvibirwa achibva
atanga kuchema neziso rimwe rerudyi rimwe
rakangotsinzinwa asingakwanisi kana kutaura.
"Jorum! Is this a day dream kana kuti uri
kutondishura hako? Mashoko awakataura
uchiri kuarangarira? Besides ndinei nechokuita
nevafi vekumba kwenyu sendine rudzi newe?
Ndokumbirawo kuti usade kundipinza panyaya
dzedzinza renyu dzisinei neni please ndapota
hangu." Ruva aitaurira mumisodzi.

Nyaya ya Frank yakafadza Runyararo zvekuti


ainge otoona ava neshamwari yepamba
*muroora*. Amai Frank vakawirirana nevana
vavo kuti nyaya iyi yaizogara pakati pavo chete
kusvika Frank azouya nemuroora kuzoita
mhemberero vachida kuzama kudzivirira vaya
vegodo vanobata neruoko runoparadza.
Runyararo akafunga kumbonoona mukomana
wake Romeo kuti amuudzewo mashoko
ainakidza aya irinzira yekuti pamwe nayewo
aizofunga kumuroora kunyange vaive vati
nyaya iyi hapana aifanira kuti bufu nezvayo.
Runyararo akangozviudza kuti Romeo hapana
waaiziva munharaunda mavo vana Runyararo.

"Mukwasha ndokumbira mudzikisewo


zvakanaka saga iroro rine zvinhu
zvinopwanyika." Ndi amai va Ruva vainge vava
pachiteshi pavanodzikira bhazi. Murume
akange ari bishi wo kuburutsa zvimwe kune
rumwe rutivi.
"Chandinokumbira kwauri ruregerero chete
parizvino Ruva zvimwe tozotaura wadzikama
moyo wako wapora."
Jorum aitaura akarereka musoro achinzwisa
tsitsi. Ruva akamboda kuoma musoro asi
akazofunga akati necho mumoyo "Kana Ishe
Jesu akagona kuteerera gororo pamuchinjikwa
ini ndiri ani kuzobatira munhu chigumbu? Kana
bhaibheri rakati usatsiva kutsiva ndokwangu
Saka ndava kuzvipa kunemi Mwari itai kuda
kwenyu." Akabva atarisa Jorum ndokuti
"Ndakuregerera for now but I won't forget.
Good day Jorum ndava kuenda kumba kunorara
mwana wangu anofarira kurara. Akadaro
achifuratira ava kuenda.

Hapana kupera nguva yakareba baba na mai


Ruva vasati vawana chifambiso. "Gogogoi
pemusha penyu vaMagumbo." Ndibaba Ruva
vaidaidzira havo vachipinda pamba pavo. Hana
ya Ruva yakarova kunge mabhanan'ana emvura
yemuchando. Ruva akaramba akanyarara
achinyepera kunge akarara. Akazoita seanga ari
kuhope ndokubuda.

Takudzwa akafunga kufadza sahwira wake


ndokumutengera suit yaidhura chose achibva
aichengeta. Yainge yakaperera Kubva kushangu
kusvika kumusoro. Hushamwari hwa Frank na
Takudzwa hwaisava huya hwekuvharana
hwatinoona kuvakawanda asi hwa teacher ne
tie. Akabva achengeta ne Mari yekuzopa
sechipo pazuva remuchato wasahwira wake
sezvo vakakura vese vaine shuviro dzokuroora
vochata vese pauviri hwavo. Miriro akazivisa
hama dzake nezvekufambidzana kwake na
Frank nourongwa hweramangwana ravo. Tete
va Miriro vekwa Marange vakafonerwa
vakafara chaizvo kuti mwana wehanzvadzi yavo
imwe chete Matigimu ainge ava kuroorwa.
Matigimu ne hanzvadzi yake Mirirai vakange
vaberekwa vari vaviri mumba mavo uye vari
mapatya. Nokuda kwaizvozvo Matigimu akabva
atendera hanzvadzi yake kupa mwanasikana
wake zita achibva amupa zita rekuti Miriro.
Tete Mirirai vakatanga gadziriro yezvinhu
zvavaizoda kupa muzukuru wavo Miriro
achinotangisa imba yake kwa gutu
kwaizoroorwa. Naivowo nemuroora wavo mai
va Miriro vakatenderana kusaudza munhu
kwete chero kana baba va Miriro zvavo.

Ruva haana kudziwana hope husiku uhwu


achifunga kuti Chii chaizoitika kana vabereki
vake vakazozviziva kuti ane nhumbu. Ainge
anonoka nokuti maivake vainge vaona zvese
kuti mwana wavo haana kumira zvakanaka.
"Nhai Madyira maonawo here maonere andaita
mwana wenyu? Ndamuona seakakanganisika
ini." Vaitaura nemurume wavo varimumba
vakarara. "Mukati kudaro here mai Ruva?
Chete imi ndimika madzimai unoziva ini
ndingatii? Bva kana zvakadaro mangwana imi
mubvunzei anofanira kutaura muridzi we
nhumbu yacho uye anotofanira kuenda
kumurume wake. Handichengeti shura
rakadaro pamusha pangu ini." Baba Ruva
vakanzwa kubatwa nehasha. Ruva akaramba
achingogaya ndokutora foni ndokutanga
kunyora message kuna Jorum. "Jorum ndati
ndikuzivise kuti zvinhu zvandiomera. Baba na
mai vauya. Apa amai vanekunyumwa kuti ndine
dumbu zvino handichazivi kuti ndidii." Message
yakabva ya sendwa.

"Mwari ndinopfugama pamberi peuso hwenyu


pane ino nguva ndichi rumbidza nokutenda
nyasha dzenyu nokupa maropafadzo ku
mwanakomana wangu Frank. Ndaigaro sekwa
neve mumo mumusha kuti ndichafa
ndichishuva kutsvairwa tsoka nemuroora asi imi
Jehovah manyadzisa vavengi. Kuda kwenyu
ngakuitwe baba panyika pano sokudenga
Amen." Amai Frank vakabva varara zvavo
vachinzwa kurerukirwa mumoyo hana yavo
yakazara nomufaro.
Ruva aingokungura kuti dai kukumbira
ruregerero kwa Jorum kune chekuita nokuti
varoorane nekuti aiziva mapengero ababa vake
kana mwana aita zvisinakunaka.

Runyararo akarara achigaya kuti dai Romeo


abvuma kundiroora tikaitawo muchato kuti mai
vake vapiwe chiremera chose chavainge vasina
mumana mavaigara.
"Good night my angel. Urare uchirota ini chete
honey!" Frank akabva a dropper nhare yake
ndokurara ....... ..

End of chapter 5
*NDAIMUDA*

*Chapter 6*

Story by Oxey
0788491505

Wakange uri musi wesvondo mangwanani kune


makore akange akakwidibira denga rose.
Kwaisatonhora kwaisapisa asi kwaitonhorera.
Baba Ruva vakange varonga nemudzimai wavo
kuti vaizofumo daidza madzikoma vanin'in a
nehanzvadzi vaonesane nenyaya ye nhumbu ya
Ruva.
"Ruva mwanangu ndoda utaure pamberi
pemhuri yose iyi kuti zviri mudumbu mako
ndezvani?" Baba va Ruva vakataura
vachiratidza ukasha. Ruva akarohwa nehama
achibvunzwa mubvunzo uyu uye nokuona
musha wese uripo akatadza kunzwisisa
munjere make kuti ko zvainge zvarongwa
nguvai. Zvokwadi dumbu ra Ruva rainge
roonekwa asi baba vake semunhu ainge asina
chaaifungira mwanasikana wake chakaipa
vakangofunga kuti zvimwe kusimba.
"Heiwena Ruvarashe! Usada kutipedzera nguva
pano wanzwa? Vanhu vese ava vane zvaanoda
kuita." Vakataura inzwi rava pamusorosoro
voratidza kugarwa nehasha pahuro.
"Ndera Jorum Chimusoro baba." Akadaira
achidedemera nokutya nokuti akazivisa kuti
chiso chainge chapfekwa na baba vake chaiva
serious. "Mazvinzwira vehama. Ini pano pamba
handichengeti shura rakadai. Imi madzitete a
Ruva iwe mai Tatenda newe Ndaizivei torai
muramu wenyu muende naye kumurume wake.
Pano pamba pangu no more handidi tsvina
idzodzo."
Madzitete a Ruva naiye Ruva wacho
vakasimuka ndokurongedza vopinda munzira
kuenda kwaana Jorum.

Mushure memasvondo matatu Frank na


Takudzwa vainge vapedza nezveurongwa
hwekunoroora Miriro. Tete Mirirai vakafonerwa
vakudzwa kuti vafano tsvaga munyai. Dombo
akatsvagwa mari yeusvikiri yakatumirwa ne
mukuru.com. Frank akafonera amai vake
akavaudza kuti vaifanira kukwira bhazi ivo na
babamudiki Tonde vozonosangana naana Frank
mumasvingo voenda vese kunobvisa pfuma
kwaana Miriro ku Bhikita Masvingo zvakare
imomo. Grossery list yakange yauya sezvo
dombo akange atodzoka kare ne mhinduro
nezuva renyaya dzacho. Vakasimuka Frank,
Takudzwa na Miriro ne motikari mbiri ya Fungai
neya Takudzwa kutiita kuti vanhu vagonogona
kakwana sezvo vaisangana nevamwe mutown
yemasvingo.

Madzitete a Ruva akange ava nemavhiki maviri


vanosiya muzukuru wavo kumba kwaJorum.
Hope dzake dzekurota achirohwa dzakabva
dzamira kubva musi uyu. Vabereki va Jorum
vaingovawo vanhu zvavo vasina chavainacho
kunze kwe huku ne hangaiwa. Izvi zvakasvota
Ruva kusvika pakusaziva kuti afunge chii.
Akatanga kutarisa makurisirwe akange aitwa
uye kuti angova iye ega uye vabereki vake
vaitarisirawo zviuya kubva paari. Zvakamupa
kushaya hope mukurara ne zororo muhana
make. Aiva wekuchema chete siku nesikati.
(ndozvoita kusagutsikana)

Rwendo rwaana Frank rwakafambika zvakanaka


chose. Pavakasvika pa craft Centre vakawana
mai Frank na babamudiki Tonde vatova mirira.
Vakamhoresana ndokumbotenga zvokudya
nekunwa pa chicken inn yepa chevron ndoku
simudzira rwendo. "Mwanangu ndafara kwazvo
chero ndisingazivi kuti kwatinoenda kwakamira
sei. Mukadzi wako zvairi ngirozi inofamba nhai
soko yangu? Aiwa chembere dzemuraini
dzichandiziva mwaka uno. Vajaira kundidadira
nezvivaroora zvigundufunya."vainge zvino
vazadzwa nomufaro amai Frank vachiona
yellow bone remwana wavo. Vakasvika Bhikita
zuva roda kurereka. Vakatambirwa nomufaro
mukuru kwazvo vakaendeswa kumba
kwaambuya va Miriro ndiko kwavakarara
vakamirira kuti kuedze nyaya dzitangwe.

Runyararo akange ataurira Romeo zvese


maringe nenyaya yekuroora kwa Frank nokuti
amai vainge vaendawo kunyaya dzacho na
babamudiki Tonde. Romeo rakava zuva rake
rokutanga kuzoona kumba kwaana Runyararo
nokuti vaviri vakatora mukana wekusavapo
kwaamai. Nguva yose aitya kuuya nokuti aida
kuti varonge zvinhu negwara.

Ndaizivei tete va Ruva vakange varambwa


nemurume nenhau yekushaya mbereko Saka
ainge hake akagara pamusha.
"Mai Ruva mudzimai wangu! Mwedzi
unofanira kupera tadzokera. Vanhu
vekukomboni havasi vekuvimba towana huku
dzabiwa dzose. Hatingazogoni kupa mhosva
vaChikanga vatakasiya tati vavharire huku." Ava
ndi baba va Ruva vaitaura nemudzimai wavo.
"Ko zvino Madyira mati tosimuka pasina
chatanzwa nezvenyaya dza Ruva? Imi
muchafanoenda henyu ndombosara."vakadaira
amai Ruva.
Mhuri yose yekwa Tungamirai yakange
yakaungana pamwe chete vauya kunyaya dza
Miriro. Denga rainge rakachena kusina kana
kakore zvako. Shiri dzainzwikwa kuridza miridzo
mumazhowa nemumiti yaiva pedyo. Vakwasha
vaiva muimba ye round yaiva yakakura
zvakafanira. Vakapiwa tea mushure ndokutanga
kutaudzana nezve roora.
Roora rakabviswa Mari dzese dzaana
rusambo,matekenya ndebvu ndiro yababa,
zvibinge zvese zvese. Hama dza Miriro
dzakafara kunyanya baba namai vake. "Vanhu
vaiti heeee mwana wa Matigimu waarega
achienda mhiri kwa Gurugudhera(limpopo)
yatove pfambi hapana achamuroora!,chionai
zvakaita Miriro uya ." Ndivatete Mirirai
vaidzana nokupembera zvavo mhururu ichirira
kufarira chiitiko ichi. Zvese zvapera zvafamba
zvakanaka vakuwasha vakakumbira muchato
kumadzitezvara. Shoko iri rakafadza baba na
mai va Miriro zvokuita sevachapenga.
Vakatenderana kuti vaizochata musi wa 14
February gore raitevera. Zvakasiya mhuri mbiri
dzine mwedzi mitatu yakazara yegadziriro
sezvo maiva mumwedzi wa October. Tete
Mirirai vakauya ne bag hombe raiva netwunhu
twavainge vaunzira muzukuru wavo Miriro.
Mhuri mbiri dzakaonekana vakuwasha vave
kudzokera zvavo kumusha kwavo avawo
vokwana Miriro voita rumwe rumwe.

Runyararo akaperekedza Romeo pachiteshi ave


kudzokera kwake. Vakambundirana
ndokutsvodana vaviri ndokuparadzana.
"Uveneni mumoyo nomuhama mako Runyararo
ndichavawo newe pandichava pese." Akadaro
Romeo achioneka mudiwa wake ava kuenda.

Ruva akazvipira kunyorera baba vake message


misodzi isingamiri kubuda akati chero zvazvaita.
"Makadii baba? Ndinoziva makagumbuka uye
ndakaku disappointai zvinorwadza nokuti
tarisiro dzenyu mukundirera hadzisidzo
dzakabuda. Asi baba ndichada kuti muzive kuti
ini mwana wenyu chero ndakaresva ndichagara
ndiri mwana wenyu uye ndinokudai. Shuviro
dzenyu baba ndidzo dzimwe nedzangu kuti
ndikuonei muchifara pamwe nokudada nemi,
ndaitarisirawo Kuroorwa nokuchata sevamwe
asi ndakakundikana ndikakunyadzisai. Zvino
baba ndinodisa kuti muzive kuti dai murume
wakandikanganisa ari ane chaanacho musina
kumbowana ndiri pamba asi ndakatoroorwa.
Murume wangu baba itsuro ye mubhuku
inofamba nokuvhurwa kwe page. Mwana
wenyu ndakatarira nhamo baba. Pamba pavo
kana mbudzi zvayo hapana kunze kwe huku ne
hangaiwa. Handina hangu akawanda
ndakazvikanyira ndini. Murume aindida aifanira
kundiroora ndakamurasisa zviondirwadza
zvekutadza kana kurara baba. Zvisinei yadeuka
yadeuka. Muvenezuva rakanaka baba muzive
kuti I will always love you daddy no matter
what."akapedza kunyora message asisagona
nokuchema nehasha.

Frank ,Takudzwa,Miriro, babamudiki Tonde na


mai Frank vakauya akananga kumusha kwa
Gutu muroora achizoona kumba nedzimwe
hama dzemurume........
End of chapter 6

*NDAIMUDA*

*Chapter 7*

*Story by Oxey*
0788491505

Nguva yakapindana hayo mavhiki ikave mwedzi.


Kwakange kwasara mazuva mashoma kuti
muchato wa Frank na Miriro uitwe. Shoko
rakafambiswa rikasvika kwese kwese mudunhu
nemamwe matunhu nemaguta kwaiva nehama
dzangu Frank na Miriro. Hama ne shamwari dze
mhuri yaana Frank dzakaziviswa dzose zvadzo.
Nokunerumwe rutivi hama dzake Miriro
dzakaita zvimwezvo.

"Mai mwana ndine zvinondinetsa kubva


zvandatambira message ya Ruva. Handigone
kana kurara nokufunga kuti zvino mwana
wangu anofungei? Better adzoke kumba agare
hake kana azosununguka mwana atikurei ouya
hake kuno ndimutsvagire basa." Mashoko aya
akarwadza moyo wamai Ruva kusvika
pakuyeredza misodzi. Vakaona kuti murume
wavo akange adzikama hasha dziye dzakange
dzapera. Nhumbu ya Ruva yakange yava ne
mwedzi minomwe. Rugare rwakava mutupo
mumoyo ma Ruva. Mari yaitambirwa na Jorum
ku mine kwaaishanda yaisakwanisa kuchengeta
mhuri yese sezvo ariiye ega aishanda pamusha
apa. Nhumbu ya Ruva yaida zvinonaka asi
aisazviwana zvinova zvimwe zvaimupa
kushushikana muhana make.

"Mai Mukanya ngatimboendaika mudhorobha


timbonoona zvatingatenga zvinodiwa
pamuchato nehembe dzedu nevaperekedzi."
Aitaura hake nomudzimai wake achipuruzira
kumusana Frank. Vaviri ava vaidanana kwazvo
kwete zvekuvharana. Miriro aiswera
akasurukirwa kana murume wake arikubasa.
Aizoswerera hake ma African movies kuti
azvivaraidze. Akabva asiya zvehushamwari
zvaaiita nevamwe vasikana asati aroorwa
nokuti akange azvimisidzira Kuvaka imba ine
rugare.
"Apa mataura Mukanya, chihandei kunogeza
tozoenda zvedu." Akadaira Miriro vachibva
vatsvodana ndokubuda voenda kunogeza.
Frank na Takudzwa vakaronga kuti muchato
uyu waizove wegore. Vakaunganidza mari
yakawanda kwazvo. Frank akaudzawo vamwe
vaaishanda navo pamwe na boss wavo. Pabasa
apa pakange pane kubatana uye Frank aiita
basa nemazvo zvokuti murungu wake nevamwe
vashandi vakafadzwa nezvainge zvataurwa na
Frank. Vakaunganidza mari zhinji kwazvo
ndokutenga zvipo zvavakaronga kuti vaizopa
kuna Takudzwa ozoenda nazvokumuchato.
Frank akadaidzwa ne murungu wake pamwe
nevamwe vose. Vakamushuvira zviuya
nomufaro pazuva rake remuchato. Vakamupa
Mari yavainge vaunganidza sechipo kuti
abatsirike pahurongwa hwake. Murungu wake
Sir Van Herden vakabuda Mari yaikwana zvuru
makumi maviri zvema rand kuti abatsirike. Izvo
zvakafadza Frank zvakanyanya apo akaudzwa
kuti ainge apihwa pachena pasina
kuzobhadhara chikwereti chacho.

Mukufamba kwaiita shoko romuchato


rakasvika nomunzeve dza Ruva. Izvi
zvakamuwedzera marwadzo. Aka tangisa
kuchema achitaura ega. "Dai ndakaziva
haitungamiri. Chandakaita ndopasina.
Akaropafadzwa hake Miriro awana murume
chaiye pavarume anoziva kuti kunochatwa
anoziva kuti mukadzi anoda
kuchengetwa.Ndakazvikanyira ndega mufunge
Frank ndaimuda chose"
Frank akatumira mari zhinji kwazvo kuna mai
vake kuti vagone kugadzirisa zvese zvaidiwa
kugadziriswa pamusha. Akatora imwe
ndokutumira kuna babamudiki Tonde. Baba
mudiki Tonde vaivimbika kubva mukoma wavo
achiripo vaiwirirana chose zvokuti hapana kana
chavaiita vasingaudzani nokuonesana.
Akavafonera akavaudza kuti yavo yaiva Marii
yokuzobvisawo sechipo pa zuva guru uye kuti
imwe yaiva yekutenga mombe dzenyama
pamuchato. Vakatora Mari iya yose
kwaakutenga ngavi shanu neka nzombe
kavaizopa mwana wemukoma wavo sechipo
pazuva guru.
Runyararo akange akagara zvake na Romeo pa
growth point sezvo paripo pavaisangana misi
yose. Akavhura ka bheke kake ndokupa Romeo
invitation card rekumuchato wehanzvadzi yake.
Romeo akatarisa akanyemwerera ndokuti
"Darling! Woooow this is so sweet. I think we
should marry as soon as we can tobvawo
tachata." Runyararo akashama muromo
ndokumbundira mumwe wake nomufaro
wakanyanyisa achiridza mhere yomufaro.
"Really babe?" Asati apedza akabva aiswa
chigunwe pamuromo na Romeo. Akashamisika
kuona Romeo ava kuburitsa kanhu muhomwe
make ndokupfugama pasi ava kuti "Runyararo
wekwa Mukanya! Will you make me the
happiest man in the world by taking me as your
husband?" Runyararo akamboramba akashama
asinga dengenyeki achiita kunge ainge arohwa
nezveusiku. Akazoti pava paye ndokufemera pa
denga kwaakuti "Yes Romeo! Of course i will
marry you." Vakapfekedzana shonga munwe
ndokumbundirana vachifara ndokupinda zvavo
mushop kutsvaga zvokunwa zvinotonhorera.

Frank akange ava nemakore achishandira


murungu wake zvokuti vainzwanana Saka
naizvozvo murungu akabva atengera Frank suit
yemuchato yemhando yepamusoro yaidhura
yakaisvonaka uye akatengerawo Miriro rokwe
raivaima sedenga rechando usiku. Rakati zuva
rekuonekana nevamwe vese kubasa rasvika
akabva ashamisika kusvika achiwana vanhu
vese vakamumirira kunyange na Takudzwa
aingewo aripo. Kwakaitwa mhemberero Nyama
dzakagochwa vainwa doro vainwa vainwawo
ma drinks vainwa. Mimhanzi yakaridzwa.
Pakazoridzwa kambo kekuti "Paita part nhasi"
ndopakazofara vanhu kuita sevopenga. Party
yakati zvino yapera Sir Van Herden vakauya ne
bag rakanaka kwazvo. "Frank! I'm so happy that
after all these years we've been working
together you've decided to be a really man. I
wish you the happiest times with your wife.
Don't bother with work duties when you are
away. Everything will be fine. I just want you to
enjoy your honeymoon time with your bride.
Here is the suit I bought for you and a wedding
dress for your bride. Enjoy." Champagne
yakavhurwa vanhu ndokupembera
kekupedzisira. Frank na Takudzwa vakafadzwa
nehunhu hwe murungu wavo. Vanhu
Vakatanga havo kuita
Mabasa avo vachifara kwazvo. Mumwe
nemumwe mumoyo make achiyemura chiitiko
ichi. Vamwewo ndovaiti ndiniwo mangwana.
"Hello Ruvarashe mwanangu!" Ndibaba Ruva
vaifonera mwana wavo. "Ndaka tora nguva
yekufungisisa nezvawakanyora pa message
yako mwanangu ndikarwadziwa kwazvo. Zvino
ndafunga kuti udzoke kumba ugare.
Ndichakuchengeta nemuzukuru wangu muri
kumba." Ruva akambofunga kuti zvimwe airota.
"Maita basa baba. Mwari vakugonerei
pamazuva enyu ekurarama." "Zvakanakai
mwanangu. Wozondiudza kana wadzoka
kumba." Vakabva va cutter foni.

Frank na Takudzwa vakaronga zuva rekusimuka


kuenda kumusha vachinomirira havo zuva
romuchato. Babamudiki Tonde vakabatsira
mabasa ese aida rubatsiro rwechirume pamba.
Zvakabva zvaendeka pamba pakaonekera chose.
Ku Masvingo kwaisadanwa anonzwa. Chaiva
chibatai batai kugadzirira zuva guru. Mhuri
yekwana Miriro yakange iine hamawo dzavo
dzine mari kunyange kubatana kwaisavapo
zvakanyanya asi apa vakasada kunyadzisa . Tete
Mirirai ndizvo vakapiwa matomu ehurongwa
hwese hwemuchato.
Takudzwa akapfuurira kumba kwavo KuChivhu
kunozivisawo vekumba kwake nezve chiitiko
ichi uye kuti ndikokwaaizenge ari mazuva
mashoma aitevera. Vaviri ava Vakange vapiwa
mwedzi miviri yekuzorora pabasa na Sir Van
Herden kuti vanyatsoita hurongwa hwavo
pasina kumhanyamhanya. Takudzwa
akafonerwa na Frank akamuudza kuti
anotofanira kuuya nekukasira nemota
vachibatsirana kusenga vanhu sezvo
vaisakwana mu bhazi rainge ra haiwa . Mota ya
Takudzwa neya Frank dzaive hombe
zvekukwanisa kusenga vanhu 8 mumota imwe
chete. Ndedziya dzinonzi VW Kombi. Zuva
rekuenda rakasvika vanhu vakasimuka
ndokuenda zvavo ku Bikita.
Mumugwagwa vanhu vaifara chose. Mimhanzi
yairohwa yaienderena nemuchato.
Vakamboridza Admire Kasenga-Pamuchato wa
Tobias. Pakafarwa zvekuti vanhu vakavhura
mahwindo ebhazi vanzwa nekutsva. Ukuwo
kudzimota kwairohwa dzechirungu rungu .
Vakawana vanhu vavamirira nechekare.

Romeo aiva mushamarari ku nhepfenyuro ye


Zbc. Akagara pasi nevekumba kwakewo
vachironga kuti agozoroora Runyararo sezvo
ainge aita chitsidzo na Runyararo uye atosvitsa
nyaya kuvakuru. Vakaronga kuti vaizotuma
dombo mazuva mashoma mushure me
muchato wa Frank.

Mhururu dzakaridzwa vanhu vakadzana


makumbo seachazvimba nokufara pamuchato.
Zvipo zvakabviswa zvakafadza Miriro ne
vabereki vake avo vakashamisika kuona hama
dzavo dzaisambovashuvira zviuya dziridzo
dzaka bvisa zvipo zvizhinji. Muchato
wakafamba zvakanaka chose vanhu vamwe
vakararirapo vepedyo ndovakaenda mudzimba
dzavo. Vekure vakazofuma vopararira zvavo
vamwe ndovakati muchato uchiri pakati.
Takatanga nawo tinoda kupedza nawo.
Vokwana Miriro Vakange va haya mabhazi
maviri okwa Ganyani kuti aendese vanhu kwa
Gutu kunopedzisa muchato kumba kwe
mukuwasha. Zvokwadi kushaya kunorwadza
kana mumwe akabudirira zvamunoona. Raini
rese iro raigara Frank na mai vake raiva
nevanhu vaiva nepamutauro kwazvo. Kuvakwa
kwakaitwa pamba apa nokuchata kwa Frank
kwakaunza mutauro munharaunda. Vamwe
ndovaiti akaromba vamwe zvikanzi akaba
vamwewo vaingoti ushe madzoro tichazviitawo.
Frank haana kuita han'ya nazvo chero aizvinzwa
nokuti iye chokwadi ne mukadzi wake pamwe
na Takudzwa vaichiziva. Wakaitwa muchato.
Babamudiki Tonde ndizvo Vakange vakamira
divi rekuuraya mombe sezvo vaiva ivo baba.
Yakazoti yasvika nguva yezvipo. Frank
akashamisika kuona babamudiki vake achiuya
ne tsiru yakasungwa munyanga netambo
ndokuti "Mwanangu ndafara kwazvo chero
zvangu ndiri murombo asi zvawaita izvi
zvandichenesa moyo zvekuti kana mukuru
wangu kwaari ndinovimba afara chose. Tsiru iyi
woichengeta mwanangu ndinokushuvirai
musha une rudo, runyararo ne rugare. Tsiru iyi
ichakuzadzirai danga vanangu." Mhururu
nemiridzo zvakaridzwa chembere dzichitamba
bheria. Pakafarwa kani imi. Romeo aivepo
mumoyo akati "handikundwe kana
ndikakundwa asi ndinosva ndaedza." Muchato
wakabva waparara............

End of chapter 7

*NDAIMUDA*
Chapter 8

*Story by Oxey*
0788491505

Muchato wa Frank na Miriro wakaitwa


ukanakidza kwazvo uye wakaitwa nemazvo.
Kana pastor Mugari vakafadzwa nokurongeka
kwakange kwakaita mhuri mbiri idzi. Rudo runo
wanikwa kwese kwese ndakazobvuma.
Ndiyani aifunga kuti Frank na Miriro vaizoguma
vaita zvaiyemurika kudaro ivo
vakangosanganawo zvavo mudhorobha ku Joni?
Takudzwa mari iye yaainge achengeta achiti
aizopa sahwira wake pamuchato akazochinja
mafungiro ndokunanga Harare international air
port kunotenga ma tickets maviri. Ra Frank
neraMiriro. Akadzoka zvake ndokufonera
sahwira wake. "Ngrrrrrrrrrrr", Hello Takudzwa!
Ndambokufonera usingabatiki wanga uripo
kubva makuseni wangu? Ndakusuwa ndava
kutoona sekuti hauchandifarira nokuti
ndakaroora kkkkkkkk." Akadaro Frank asi
achitamba hake nomumwe wake." Ndirikuuya
wangu pane kwandange ndambosvika Saka foni
ndasiya mumba ndakaidzima but ndava
kutosvika zvangu kumba kwenyu. Musazovhara
musuwo ka ndasvika kkkkk." Akadaro zvake
achidaira nemumwe wake. Frank akanzwa
moyo wake kufarira kuti sahwira wake aive
achiuya kuzomuona. Nyaya yemuchato wa
Frank na Miriro yakataurika nguva refu
munharaunda zvekuti wakaita inonzi
pachirungu "wedding of the year". Hazvina
kunakidza moyo wa Ruva nokuti aigaroti
"ndakazvikanyira ndega. Ndingadai ndirini
ndakachata Frank aindida kana neni ndaimuda
nemoyo wese. Mashavi okwedu akandiparira."

Dombo akatsvagwa kuti anosvitsa shoko


kwaana Runyararo rokukumbira ukama.
Wakange uri musi we Chitatu apo Romeo na
Runyararo vainge varangana zvavo kusangana
ku growth point semazuva ese.

Jorum akafumira kunotsvaga sugar kuti amai


vake vawane kutengesawo vachibatsirika.
Akatora bhasikoro rake ndokuti munzira
dendere akananga ku Masvingo.
"Tisvikeiwo Mukanya!!" Akadaro Takudzwa
achisvika kumba kwaana Frank. "Svikai zvenyu
Hungwe yangu! !" Ndi amai Frank
vachichingura Takudzwa. Pindai zvenyu
mumba mwanangu ndomuna sahwira wenyu
navadzimai varikuona havo Tv. Frank akange
asina chaanzwa nokuti kana kudhuma kwemota
haana kukunzwa ne ruzha rwaiitwa ne
generator panze akangofunga kuti mudhumo
waiva chete we generator. Akapinda zvake
muimba yokutandara maiva na Frank na Miriro.
"Yes kani sahwira. Wasvika? Wandigonera.
Kuswera ndisina kukuona idambudzo wena."
Akadaro Frank, Miriro achibva zvake
aseka ,"Kkkkkk zvino nhai Soko
zvamusingagone kuswera musina kuona bamnn
Taku tichaenda here navo ku honeymoon? "
vese vakaseka zvavo. Ndokufara kwacho ka.
Akazoti pava paye Takudzwa aburutsa twunhu
twaainge abva natwo vatandara ndokuti ,
"Sahwira. Ndakakupa zvipo pa muchato.
Zvakabva kwandiri nezvakabva kune
vatinoshanda navo but handina kupedza kuti
moyo wangu ufare kuti ndapa chipo kuna
sahwira." Akapinza ruoko muka bag ke laptop
kaanofamba nako padivi ndokuburitsa ma
tickets maviri aainge abva kunotenga ku airport.

"Shamwari yangu, ma tickets awa ndeekuenda


ku Dubai ku honeymoon yenyu
mumbonofarawo pamwe muchauyawo tava
kuroora kkkkk." Akadaro achitambidza Frank
ma tickets aye. Frank na Miriro vakafara
zvokuita semwana mudiki anzi mangwana uri
kukwira bhazi kekutanga kubva ava kuziva.
Jorum paaka svika pa Masvingo haana chaiva
munjere make kunze kwekutenga sugar odzoka
hake kumba. Akapinda shop to shop achitsvaga
makachipa. Akazoti regai ndipinde kwa Musa
uko nditarise ndozodzoka kwachigumba.
Paakati pindikiti akasanganisa maziso na
Runyararo uyo ainge akagara zvake na Romeo.
Akafunga seairota ndokuzvitswinya pasina
aiona. Akaona kuti aisarota. Pakange papera
mwedzi misere vasati vaonana (8) . Kwaitova
kutanga kuonana. Haana kana kuzobvunza
zvaaida. Akango tendeuka ndokubuda achinzwa
chigodo chakagara pahuro. Magariro akange
akaita Romeo na Runyararo aiva pachena kuti
ma love birds. Akadzoka kwa Chigumba
ndokutenga sugar achibva aenda. Asi hasha
dzaimusvota zvekuti akadzipedzera pa
bhasikoro. Raka tinhwa zvokuti dai raitaura
raidai rakakumbira ruregerero.

Frank akadaidza amai vake ndokuvaudza chipo


chaainge apihwa na sahwira wake chema
tickets ekuenda Dubai. Mai Frank vakafara
chose nokuridza mupururu vachitenda rudo
rwa Takudzwa ku shamwari yake.

Zuva raitevera va Mushanyu vakasimuka ne


bhasikoro ravo vonanga kwaana Runyararo
kunosvitsa shoko ravainge vatumwa naro kubva
ku mhuri yekwa Tsikira kwana Romeo.
Vakamuka runyanhiriri ndokupinda panzira
zvavo semunhu atikurei vaaida havo kufamba
pore pore.
Ruva akatora foni yake ndokutanga kunyorera
Frank message. "Makorokoto Mukanya.
Ndaidisa kunge ndiripowo pamuchato wako asi
handina kuda kuzovhiringa mufaro wenyu Saka
ndisina hangu kuuya. Uchengete mukadzi wako
zvakanaka umupewo rudo. Ndinozvishora pane
zvese zvandakakuitira. Ndinovimba
wakandiregerera. Uve nomufaro nemudzimai
wako ne vana vamuchabara." Akabva a sender
message ikaenda.
Frank akati achizviona haana kuratidza ku
panicker akaverenga hake ndokuiratidza kuna
Miriro. Miriro akapedza akati "Pindurai kani
daddy. Ko zvine basa rei pane chakaipa here
ipapa?" Akadaro Miriro achitambidza Frank foni
yake. Frank akabva anyora "Waita basa Ruva
newewo uve nehupenyu hwakanaka.
Ndinokushuvirawo kuroorwa nemurume
anerudo achada mwana wako. Sorry
nekusiyana kwawakaita na Jorum but I think its
for the best nokuti kana usingade munhu
haungamaikidzwe." Akabva a sender message
ikaenda.

Pasina nguva Vamushanyu Vakabva vasvika na


babamudiki Tonde. Mai Frank vakadaidzwa na
Runyararo akadanwawo ndokugara mumba.
VaMushanyu vakapira nyaya yavo. Runyararo
akabvunzwa kana aiva neruzivo nezvenyaya iyi
akabvuma hake. Zuva rokuzosangana kwemhuri
mbiri rakavepo kuti babamudiki Tonde
vatangewo vazivisa dzimwe hama dzaiva kure.
Frank na Miriro vakaoneka babamudiki
Tonde ,Runyararo na Mai Frank
ndokuperekedzwa zvavo na Takudzwa nemota
yake kuenda ku airport.
"Babamudiki Tonde nemi amai tava kuenda.
Pane nyaya ya tete Rue iyi. Ndinovimba
muchafambisa zvinhu negwara rakanaka
sezvamakaita pakuroora nokuchata kwangu.
Ndinoda kukutendai nokusingaperi
nezvamakaita. Mwari vakugonesei mukurarama
kwenyu." Akaburitsa chikwama muhomwe
ndokuzvuva $100 ndokupa babamudiki Tonde
"Mari iyi baba mowanawo kunwa mhamba
sevamwe." Akazvuva imwe ndokupawo amai
vake. Vakatora zvavaida ndokuisa mumota
Vachibva vaenda havo.

Mumwedzi wa April nhumbu ya Ruva


yakarwadza. Akasengwa ndokuendeswa ku
Gutu Mission hospital uko akangosviko
sununguka mwana mukomana. "Makorokoto
hanzvadzi mabatsirwa nemwana mukomana.
Ndinovimba baba vake vachafara chose." Ndi
Dr Tsapi vachikorokotedza Ruva. Vakashamisika
kuona misodzi ya Ruva yava kuyerera. "Asi pane
zvandatadza here nhai hanzvadzi?" Vakabvunza
vava kunzwa urombo. Ruva akachema ndokuti,
"Mufunge henyu Dr Tsapi baba vemwana uyu
akandiramba apa ndasiya mukomana wangu
aindida neni ndaimuda chose akatochata musi
we Valentine apa ini ndakafurirwa nemunhu
asina chinhu uye asingandidi." Dr Tsapi
vakabatwa nema shoko awa. Vakanyora ma
phone number ndokupa kuna Ruva. "Kana
mune zvamungada kutaura kana counselling
mondibata ipapo. Anytime. Be free." Vakabuda
ndokuenda kune rimwe ward. Ruva ainge ari
mutsvuku munaku aiva nechimiro
chakaisvonaka zvokuti Dr Tsapi Vakange
vatomugaira asi semunhu aiva mukurwadziwa
vakati vambomupa nguva. Ruva akasara ega
hake sezvo mwana ainge achi gezeswa nema
nurse. Ndokuti hake nechomumoyo "Apa
ndinenge ndabata mhene apa. Handichafaniri
kubhaiza ndotoita zvese zvingafadza chiremba."

Mwedzi yakapindana off yeboys ikapera, Frank


na Takudzwa vakange vakadzokera kubasa
kwavo sezvo nguva yakange yakwana.
Vakaenda nema videos nema pictures
ndokunoratidza shamwari dzavo na Sir Van
Herden. Vakaita party yekupemberera
vachifara zvavo pamwepo. Miriro akasara na
vamwene vake na tete Runyararo. Pamba
paigara paine mufaro zvokuti vasingazivi vaitoti
Miriro mwana wepamba apa nyamba aiva
muroora.
Mushure mema svondo mana Ruva abatsirwa
adzoka hake kumba aigara na tete Ndaizivei
ndivovaimubatsira sekukumbirwa kwavainge
vaitwa na Baba Ruva. Akati zvake ari ega tete
vambobuda vachidzidzisa mwana kuberekwa
akatora nhare yake ndokutsvaga ma number a
Dr Tsapi achibva ava fonera. "Ngrrrrrrrrrrrrr" Dr
vakaona number idzi Vasinga dzizivi Vachibva
vadaira nenzwi rakadzikama."Dr Tsapi!
Hello!!!", chiremba vakanga zvavo vasina
tarisiro yekuti vangafonerwa na Ruva sezvo
mwedzi wese wainge wapera pasina chavanzwa
kubva kwaari vaitofunga kuti pamwe
akatokanganwa nezvavo. "Hello Dr Tsapi, ndi
Ruvarashe Gumbo arikutaura". "Wow!!! NDeipi?
Long time ndaiti pamwe wakarasa ka ma
number angu", "Ndiri bho shaar kukufunga
wena. Kubva zuva rawakandipa ma number ako
I've been thinking about you day and night but
Ndaiva mukurwadziwa wena." Ruva akaona kuti
ukanonoka unowana dzamira nemhuru
ndokurova simbi ichapisa. Ko aigozivei kuti
chiremba vaisagonawo naye. Vaviri vakataura
zvakawanda chiremba ndokuzokumbira kuti
Ruva avavhakachire kana mwana ava
kutenderwa kufamba. "Zvangu zvaita. Pamwe
ndingachatewo. Kwete vana Jorum tsuro
dzemu book dzinofamba nokuvhurwa kwema
page." Akadaro achifara kwazvo achitaura ega
chiso chakazara nomufaro. "Zvekunzi hakuna
muti unovinga shiri kunyepa chaiko. Hoyu
wauya wega. Apa mwana wacho aripo?
Ndotobatisisa apa. Handiti hanzi midzimu haipe
kaviri? Ndotoroora ini na chiremba." Chiremba
vakafara ndokutanga zvavo kunyora nyora
mapper evarwere vavo.
Runyararo na Romeo vakaronga kukumbira
zuva remuchato sezvo Pfuma yainge yabviswa.
Hurongwa hwakaitwa. Kwaana Runyararo
babamudiki Tonde sepakutanga ndizvo
vaironga zvese.

Dr Tsapi vakaona kunonokerwa ndokubva


vaifonera Ruva ndokuenda kumba kwavo.
Vakasviko tambirwa nomufaro chose ndokuita
ma introduction kuna tete Ndaizivei.
Vakatandara chiremba ndokuzodzokera.

Pama zuva aiva Frank na Miriro ku honeymoon


vakatozodzoka Miriro atobata pamuviri.
Vakaronga na mai Frank kuti vafonere Frank
vamuudze nyaya iyi sezvo ainge aenda asinga
zivi kuti ndozviripo.....
Is Ruva gonna enjoy this relationship or end up
getting married? Will Jorum let her Be?

END of chapter 8

*NDAIMUDA*

Chapter 9
Story by Oxey
0788491505

Frank haana kukwanisa kugara mushure


mokunge anzwa nhau dzainakidza zvakadaro.
Akabva afunga kuenda kunoudza Takudzwa
panyama kwete panhare.

Ruva akange zvino ava kukwanisa kuwanawo


mufaro muhana make sezvo akange awana
munhu waaiudza zvaimunetsa. Aiti paanenge
asurukirwa afonera hake chiremba
votandadzana nenyaya parunhare. Chiremba
vaifarira inzwi ra Ruva zvekuti naivo vaisapedza
nguva refu vasina kufonera babe ravo.
"Gogogoi sahwira! Ndauya kuzokuudza sweet
news wangu. My wife is pregnant ."
"Whaaaaaat? Are you sure Frank kana kuti
urikuda kundiitisa? Makorokoto wangu. I'm
very happy for you." Vakambundirana zvavo
ndokugara. Champagne yakavhurwa ndokunwa
zvavo vachifara vakagara.

Dr Tsapi vakabva vafunga kuzivisawo vekumba


kwavo nezve musikana wavainge vafunga
kuronga ramangwana naye. Pafeya Ruva ainge
adiwa zvomene. Vakatanga nokumudaidza
kumba kwavo kuti varonge pamwe. Ruva
akakumbira tete Ndaizivei kuti vamusarire
nemwana achinoona chiremba. Akasiya bota
remwana ne mukaka waikwanisa kuti mwana
apedze zuva rose nawo achibva aenda hake.
Hurongwa hwa Romeo na Runyararo nemhuri
dzevaviri hwakafambiswa ne gwara
rakaisvonaka.
Kwakange kwapera masvondo akati wandei
Frank atambira nhare kubva kumba. Takudzwa
akaonawo nguva yekuti achitsvaga
wekugadzikana naye yasvika akafunga kuudza
sahwira wake Frank nezve hurongwa hwake.
Pavakaenda ku Masvingo kumuchato Takudzwa
ane musikana waakaona asi hapana waakaudza.
Vakapana ma number vaitopota vachifonerana
asi pasina aizviziva. Zvaiva zvavo chete. Zita
remusikana uyu ainzi Precious. Precious aiva
mutete ane chimiro chakanaka neuso
hwakanaka nevhudzi raiyevedza. Aiva mwana
wa mainini va Miriro zvakare aiva mumwe
wevakaperekedza muchato wa Frank na Miriro
achitamba na Takudzwa. Ndovaya vatoti best
boy and best girl.

Mushure mokunge chiremba vaiwirirana na


Ruva vakakwira bhazi vonanga kwavo
kunozivisa vemhuri nezve hurongwa hwavo.
Vasvika vana babamudiki vese vakaunganidzwa
ndokutanga kutaura nyaya yavo. "Hama dzangu
zvamunoona ndauya kudai ndati ndikuzivisei
kuti ndakura ndafunga kusiya gota." Vakadaro
chiremba vachitaura namadzi babamudiki avo
ainge ari padare." Ndaona sendadarikidza zera
rekuroora mungazofunga kundiridzira
ngomwa." Madzi babamudiki akaombera
vachitaridza mufaro pane zvaitaurwa na Dr
Tsapi. Babamudiki Runesu vakazotsinhidzira
pamwe nokubvunza voti, "Apa wataura
mwanangu. Ko zvino iye wekuroorwa wacho
wange wava naye hako? Nokuti zve kunoroora
adiwa. Uye anoroorwa ndeanoda. Toda kuziva
kuti aripo here musikana wacho uye
makabvumirana here? Chinyakare chakadarika
hakuchina zvemusenga bere makore ano."
Vakadaro vachiseka zvavo. Chiremba
vakaburitsa nhare yavo voratidza madzi
babamudiki ma picture avaitorana na Ruva.

Takudzwa akabva ataurira Frank mafambiro


akaita nyaya kusvika vadanana uye kuti
hurongwa hwavo waainge hwava papi.

Tete Ndaizivei vakaona kuti muzukuru wavo


ainge awana munhu aimufadza uye vakange
vaudzwawo kuti chiremba vanotoda zvekuroora
uye vainge vatoenda kunoudza madzi
babamudiki kumusha kwavo. Vakabva vafonera
muroora wavo mai Ruva vachivaudza nezve
nyaya iyi.

Jorum akava nokurwadziwa muhana make


nezvaakaona pakati pa Romeo na Runyararo.
Akapedza mazuva asingarari nokugaya.
Akazongoona kuti zvaisabatsira nokuti moyo wa
Runyararo waiva waperera pana Romeo. Uye
iye akaona asingakwikwidzi na Romeo akabva
azvisiya.

Mai Ruva vakakumbira kumurume wavo kuti


vamboenda kumusha kumbonoona muzukuru
wavo. Vakawirirana zuva ravaizoenda Mari
yakavapo nezvavaizoenda nazvo zvakatengwa.
Chiremba zvavakaziva kuti mai va Ruva vaiuya
vakafano tsvaga dombo ndokusiira vana baba
mudiki Mari yekuzotevera kana nhare
yangopinda. Pakange pasina vhiki mai Ruva
vabva ku Triangle vakafonera baba Ruva kuti
vauye sezvo nyaya idzi dzaida ivo mbune. "Baba
ndafona kuti ndikuzivisei kuti pane munyai auya
kuzokumbira Ruva." Harahwa yakamboti zii
ichishaya mhinduro. Yakazoti pava paye
ndokuti, "Ndichakumbira mazuva mashoma
ndigouya tionesane."

Frank aisambopedza zuva asina kufonera ruva


remoyo wake Miriro. Dzimwe nguva vaiswerera
whatsapp kana asiri kubasa. Zvimwewo na
Takudzwa na Precious. Rudo rwavo rwakapisa
kusvika Takudzwa afunga kuti musikana wake
auye. Akatumira mari Precious akatora
passport ndokuzotevera mudiwa wake.
Takudzwa akabvawo aroora nenzira yakaroora
nayo Frank.

Chiremba vakati zvino


vakafunga kufadza mudiwa wavo ndokuronga
muchato.
Jorum akarwadziwa nokuitika kwaiita zvinhu.
Akagaya zano rekuuraya mumwe pakati pa
chiremba na Ruva. Kubasa kwaaishanda ndiye
airinda pa mine uye ma key ndiye aiachengeta.

Romeo aifarira kuona mifananidzo ya


Runyararo nguva zhinji uye panhepfenyuro aiti
pese paanokwazisa aisamboita mistake
kukanganwa Runyararo. Izvi ndezvimwe
zvaiwedzera moto mumoyo ma Jorum.
Frank na Takudzwa vakaronga kuti vaizotuma
dombo kwaana Precious. Nyaya dzakarongwa
semarongerwo akaitwa dza Frank zvichibva
zvaendeka.

Zuva remuchato wa Ruva na Dr Tsapi


rakarongwa. Hurongwa hwese hwakaitwa
negwara rakanaka. Jorum ainzwa zvese
marongerwo azvo. Akabva aba pfuti 9mm
yaairinda nayo kubasa kuti azoishandisa
kuuraya mumwe pakati pa chiremba na Ruva.

Romeo aiva shamwari ya Dr Tsapi kubva


pakudzidza kwavo ku chikoro vakazosiyaniswa
ne makosi avakazoita asi azvina kuparadza
usahwira hwavo. Zvavaironga zvakakosha
vaizivisana. Romeo akakokwa kumuchato wa
chiremba akabva audzawo mukadzi wake
Runyararo sezvo vainge vasati vava kugara vose.
Runyararo aigara kumba kwaamai vake.
Baba Ruva vakakumbira mazuva kuti
vapemberewo muchato we mwana wavo. Vaiva
nomufaro chose nokuti ndozvavaigaro shuvira
ku mwana wavo kubva achikura zvakasakisa
kuti varwadziwe painge amitiswa na Jorum.
Muchato wakaitwa zvakanaka. Jorum aivapowo.
Romeo na Dr Tsapi vakange vakada kufanana
nema suit avo ainge akafanana. Pakati zvino
vanhu vabvisa zvipo mashonga minwe
apfekedzanwa zvino vanhu vava pakutamba
Jorum akaburitsa pfuti kuti a dhuure Dr Tsapi
akapotsa ndokudhuura Romeo nepa moyo
achibva afa. Runyararo akati achiona izvi
akarohwa ne hana aka donha ndoku fenda.
Chiremba vakazama pavaigona kubatsira
Romeo asi zvakaramba nokuti bara rakapinda
mukati memoyo. Runyararo akaiswa mumota
machiremba pamwe na Romeo vomhanyiwa
navo ku gutu rural hospital asi Romeo akange
atove chando.......

End of chapter 9.

*NDAIMUDA*

Story by Oxey
0788491505

*Chapter 10*

Chakava chishamiso kufa kwa Romeo


pamuchato wa Dr Tsapi. Mapurisa edunhu
(vana *Ndini ndamubata)* vakaita chipata pata
kubata Jorum. Vakabva vafonera ku kamba
yemapurisa kwa Nerupiri. Hapana kupera
nguva Santana yakabva yasvika. Akatakurwa
ndokuendwa naye kuchitokisi. Shoko
rakafamba kuenda kwese kwese mudunhu. Mai
Frank vakashaya kana pokutangira kuti
mukwasha aiva asina kana mwedzi miviri abva
kuzobvisa pfuma vongonzwa zvonzi auraiwa
pamuchato. Vakakonewa kana kudya.
Runyararo ainge ave nani chaizvo asi
achingodya misodzi. Akatadza kana kutaura
nokuchema. Chaakakwanisa kuzivisa hanzvadzi
yake Frank nezvechiitiko ichi. Vemhuri
yekwana Romeo vakaendesa nyaya kwamambo.
Mambo akapa zuva rokuzotonga nyaya iyi uye
mapurisa amambo akatumwa kundosunga
mhuri yaana Jorum.
Jorum akatadza kuwana kana zuva rimwe
raakarara kuchitokisi. Masikati aizvidya moyo
nezvaainge aita achizvitongesa kuti "ndatova
mujeri ndokuda kwe rudo" ukuwo mabhanditi
achimurova kuti sei wakaurayira munhu
mukadzi aisakuda. Panguva dzekurara aiona
Romeo akamira pamberi pake akapfeka
semapfekero aainge akaita pamuchato.
"Nhai Jonso! Chii chandakakutadzira kusvika
pakuti undiuraye? Ko inga hatizivane wani?"
Aipepuka achiridza mhere hombe kwazvo
zvaiitisa kuti mamwe mabhadhiti asvotwe ne
mhere iyi . Akatanga kuchema arimo
muchitokisi umu."Zvokwadi ndakaziva
haitungamiri. Ndakati ndagona asi
chandakagona ndopasina. Hope chaidzo
handichadziziva. Vandinavo muno vanondirova
pavadira chikafu vachitora. Mufaro pakusvinura
handina. Hondo inokurira kuhope
zvinonditadzisa kurara. Nhai Mwari woye ko
ndakaiteiko ini nhai maiwe! "
"Ihwe! Hausi kunzwa kuti uri kumwaudza?
Voetsek apo! Your blood idiot. Waifunga uri
kuuraya hangaiwa uchiuraya munhu? Urambe
uchiita ruzha uchaona zvandichakuita kana
wakajaidzwa." Nderimwe rume zihombe rine
mamhasuru neuso huzere nemavanga kuita
kunge rakamarwa ne bonga raiva mu cell rimwe
na Jorum. Zita remurume uyu ainzi Bully. Ndiye
aiva mhonya yaiteererwa ne munhu wese
muchitokisi umu.

Frank paakatambira mashoko awa akashaya


mufaro zvakarwadza mukadzi wake Miriro
naasahwira Takudzwa. Vakaudza Sir Van
Herden nezverufu rwemukwasha wa Frank
ndokubva sir Van Herden vati tinoenda tese
kurufu uku sezvo vakomana ava vaidiwa
kwazvo nemurungu wavo. Vakatengerwa
grocery rekuendesa kurufu vachibva vaenda.
Runyararo akaburitswa muchipatara achibva
audzwa kuti aifanira kuzvipa nguva yokuzorora
uye aisafanira kufunganya zvakanyanya.
Padare pamambo Gondo paive pakazara chose.
Mambo vainge vatuma makurukota avo kuti
vadaidze vanhu vedunhu iri vose zvavo.
Manager veku mine vaivepo sezvo pfuti
yakauraya yaiva yepabasa pavo. Vakanzi
vataure kuti zvainge zvafamba sei kuti pfuti
ibude zvisina tendero igozosvika pakuuraya
munhu vasina kuzviziva kuti pfuti haipo .
"Ngatisimukei tose mambo vachisvika " ndi
Bishi jinda ramambo raidaro vanhu vese
vachibva vasimuka. "Garai zvenyu pasi."
Mambo vainge vasvika ndokugarisa vanhu pasi.
Dare rakabva ratanga vamwe ndovaikwenyanya
vachinongedzera Runyararo uyo aive akapfeka
hazu nhema vamwewo ndovaihonyera vachiti
Jorum aifanira kutakwa namatombo afe.
Santana yainge yaka miswa ku gedhe iyo yainge
yauya na Jorum ari muusungwa kuti azotongwa
kudare ramambo asati adzokera kuchitokisi.
"Right! Tose pano tinoziva zvakaitika
kumuchato kwa Tsapi handiti? Zvino nyaya iyi
yauya kuzotongwa pano pamambo kuti
vemhuri yokwaana Romeo mushakabvu
vataure zvavanoda ku mhuri ine mwana
akauraya mujaya wavo.
Iwe Jorum une chekutaura here pakuuraya
kwawakaita Romeo nokuti tose tinozviziva kuti
ndiwe nyakumuuraya."
Jorum akasimuka achida kuti ataure
zvakakonzeresa kuti auraye Romeo. Akabva
aona Romeo akamira pamberi Pake ne
mapfekero aainge akaita pamuchato.
Akapindwa nokutya ndokuridza mhere
yakavhundutsa vanhu vese padare. Mapurisa
ainge auya na Jorum akabva audza mambo
namakurukota avo kuti uku kwaisava kutanga
aigaro zviita kana kuchitokisi achidaidzira
achikumbira ruregerero kuna Romeo.
Akazodzikama ndotaura hake kuti aida kuuraya
Doctor kana Ruva nekuti Ruva mukadzi wake
akabva pamba pake vasina kuwirirana asi kuti
Ruva akati ndigadzirise upenyu tirareme zviri
nani ozodzoka chero mwana ndakange
ndatotengera zvinodiwa ndatanga business
rekutengesa sugar zvichitofamba hino
ndakakurirwa nehasha nekuda kwakaita
Ruvarashe uyu. Akabva atanga kuchema
zvakare nekuti Romeo ainge omurova.

Mutongo wakaiswa namambo vanhu


vakawirirana kuti mhuri yokwana Jorum
yaizounza mombe makumi maviri nembiri
kudare kwamambo mushure mema svondo
matatu aitevera. Baba va Ruva vakarwadziwa
kwazvo nechiitiko chokufa kwa Romeo nekuda
kwekuti mwana wavo ndiye honzeri.
Vakabatwa ne Blood pressure zvokuti vakaonda
kusara vava ka tsanga chaiko.

Runyararo ainge asisina zuva romufaro kubva


musi wemuchato. Aiti akatarisa ma pictures ake
aina Romeo airwara nokufunga. Aiti akozoona
ma chats avaiita kubva vasati varoorana aibva
azvipunzira pasi nokuchema. Aitadza kana
kurara kunyanya apo aifunga nezvehurongwa
hwemuchato wavo uyo wainge watogadzirirwa
aikungura kufawo. Pese paairara aitanga
achema achitaura nemurume wake
akamutarisa pamufananidzo. Romeo ainge
avigwa zvine chiremera zvokuti vanhu
vakayemura kuti wese aizofa aifanira kuitirwa
zvakadaro. Asi izvi hazvina kunyaradza moyo
wa Runyararo. Frank, ,Takudzwa na Sir Van
Herden vakapinda munzira vodzokera ku Joni.
Miriro akanzi aifanira kusara achinyaradza tete
uye aizotevera navo kana vadzikama kuti
vambozopodza moyo wavo vari ku Joni
kwaaishanda hanzvadzi yavo.

Zuva rokutongwa kwa Jorum ku court rakasvika.


Vanhu nohuwandu hwavo vakaenda kunova
sezvapupu sezvavakaita kwa mambo. Jorum
akapiwa mutongo we kuva ne pfuti zvisiri
pamutemo akanzi makore mashanu. Kuuraya
munhu asina mhaka naye akanzi makore gumi
nemashanu ese pamwe chete akanzi makumi
maviri. Mambo Gondo akazoti mushure
mokunge mombe dzekuripa ngozi dzabviswa
vakataurira mhuri yekwaana Jorum kuti
varongedze twavo vabve munzvimbo umu.
Vakabva vaita sekutaura kwa mambo
makurukota amambo aivepo achida kuona kuti
zvechokwadi vainge vabva mudunhu umu.
Dzimba dzavo dzakapiswa nokuputswa
vachibva vaeda havo..

-Mambo aita zvakanaka here uyu.


- Ko sei Mambo asinawo kuripisa Dr pakutora
mukadzi wemunhu pachi vanhu chedu atori
mukadzi wa Jorum chero asina kuroora.

End of chapter 10

*NDAIMUDA*
Story by Oxey
0788491505

Chapter 11

Mushure memwedzi inotsaudzira kungoita


mina Romeo afa Runyararo ainge akadzikama
hana kunyange zvake pamwe pacho aiyerekana
avakudaidza zita ra Romeo kunyanya arere
chero achida kudaidza maiguru vake Miriro.
Akafunga kuita sezvainge zvataurwa ne
hanzvadzi yake Frank kuti atevere na maiguru
kana onzwa sekuti moyo wake wadzikama.
Vakagadzirira rwendo amai vakabva
vavarongedzera nyemba,nyimo nemadora
zvavaizoenda nazvo ku Joni. Vakafumiro bata
kombi vonanga Masvingo uko vaizonobata
bhazi rainanga Joza straight.
Vakasvika mu Masvingo kuna 11am kwava
kupinda mu chicken inn votenga chikafu
chokufamba vachidya. Vapedza vakaenda ku
exol kunokwirirwa mabhazi ejoni bus ravo
rakapisvika vakapinda ndokutenga maheu
kunevaya vanofamba nezvingoro zve dairy
vakatenga ne dovi nematemba ka bag kavaiva
nako kachibva kazara. Miriro aifunga murume
wake zvekuti akamurongedzera twese
twaaifunga kuti aizonotwufarira.
Vakaenda zvavo mu bhazi re Pioneer vomirira
nguva yekusimuka yaiva yataurwa nemutyairi
15:00hrs. Vakagara vachiita nyaya vachidya
zvavo michero yavainge vatenga.

Ruva na Dr vakange vaenda ku honeymoon asi


moyo yavo yaisafara zvachose nechiitiko
chakaitika pamuchato wavo uye Dr vaive
nemibvunzo yakawanda maringe na Jorum na
Ruva asi vaingoti zvimwe achataura ega Ruva
nyaya dzake. Chiremba vaifunga sahwira wavo
zvekuti dzimwe nguva vaitadza kurangarira
zvavainge vafambira na Ruva ku Kariba
kwavainge vaenda. Ruva haana kunyanyo
fungisisa nokuti aiziva kuti murume wake
aimuda zvomene asi aitonetseka nerufu rwa
Romeo. Aitozopedzisira ave kuzama tuma jokes
kuti moyo we murume wake usununguke.
Ndipo paizotanga kuonekwa nyemwerero
yachiremba.
Ruva akazofunga akabva akukumbira Dr kuti
vadimbure mazuva avo e honeymoon achiona
kushushikana kwaiita murume wake. Akaziva
kuti kana vaizodzokera kumusha kune vanhu
vakawanda pamwe vaizokurumidza
kukanganwa firo yasahwira wavo.

Ku Jeri kwaiva na Jorum dzaiuya. Kwaiti inda


kukati mabhanditi. Hope aisadziziva nokuti
Romeo aiuyawo futi. Akambogaya kuzviuraya
asi akashaya zano. Hapana nzira yasizozviuraya
nayo sezvo mujeri musinga pindwe
nezvinokuvadza. Nguva yekudya aiivenga
nokuti aiziva kuti chikafu chaitora chose
chaitorwa na Bully iye aizopiwa zvinenge
zvasara. Ndokunge zvasara.
Bhazi rakasimuka nenguva dzainge dzataurwa
ne mutyairi. Vanhu vese vainge vabhadhara
vabata ma tickets avo mumaoko vamirira kuti
inspector auye kuzo inspector. Rakatinhwa
rakananga beitbridge. Kuma 7 mauro vainge
vasvika pa border.
"Ngatiendei kunodhindisa ma passport tete."
Akadaro Miriro achitaura hake na Runyararo.
Vaviri ava vaiwirirana kuita hwemukombe
nechirongo. Vakadzika havo ndokudhindisa ma
passports avo nevamwe vose ndokudzoka mu
bhazi. Rakasimuka ndokuita zvimwe chetezvo
ku South African side ,"Ko ma passports acho
anodhindwa runganiko nhai maiguru?"
Akabvunza Runyararo sekutiwo kaive
kekutanga kuenda Joni hapana chaaiziva.
"Anodhindwa kaviri tete. Ku Zim side neku S.A.
side." Akadaira nemoyo munyoro Miriro sekuti
aiziva kuti tete vake vainge vasati
vamboendawo kunze kwenyika uye vaida Rudo
semunhu ainge asina nguva afirwa. Vakapedza
ndokudzoka mu bhazi richibva rasimudzwa.

Frank zvaainge afonerwa nemudzimai wake


kuti vainge vava kuuya uye Runyararo ainge
achida kuzoshanda, akafanotaura na Sir Van
Herden kuti hanzvadzi yake yaizodawo basa. Mr
Herden semunhu aiziva Runyararo panyama
havana kumboda kufunga nezvazvo sezvo
vainge vaona kugwinya kwake parufu
rwemurume wake. Vakadawo kuti vawane
chavangamuitira chekumutandadza
achikanganwa zvakawanda nokudaro vakati
basa raizovapo. Vakaudza Frank kuti aizoshanda
kumba kwavo basa remumba. Pekugara akanzi
hake aizogara ku cottage. Masikati emusi uyu
sezvo waive mugovera akafanogadzirira kusvika
kwemukadzi wake ne hanzvadzi yake. Akaswera
aine mufaro semunhu ainge asuwa mudiwa
wake. Akatenga chikafu chose chaaiziva
chaidiwa nemudiwa wake. Haana kufamba
kana kuenda kwa Taku zvaaisiita kuti kana iri
weekend aienda vonotandara kana iye Taku
kuuya kwake kuzotandara. Akaswera ari
mubishi kugadzira mumba kuti Miriro awane
makarongeka sekuti aiziva kuti mukadzi wake
aiva ndere zveutsvina aizvivenga. Akarongonora
midziyo yese ndokunyatso tsvaira nokuzora
polish mumba mukanaka zvaiyevedza. Apedza
akabva afona kuti anzwe kwavainge vave.
"Hello sweetheart! Mavakupi?" Akabvunza
achinzwa kunonokerwa apa achinyemwerea
zvake nokufara kuti 'nhasi ndombovaraidzikawo
mai mufana vauya.'
"Tambomira pa Zebediela babe vachiri kudira
bhazi fuel but tinosvika zvedu manje manje
sekuti bhazi racho ririkufamba chaizvo."
Akadaira nomufaro Miriro. Ko ndi Frank chete
here ainzwa kunonokerwa kudaro? Miriro
kugara kwaakaita kumba nguva yose iyi pasina
murume wake hazvina kubvira zvamurerukira
asi sarudzo aiva asina sekuti aitofanira
kuvaraidza tete vaive munguva yakaoma. Frank
haana kugara arara akamirira kuzono chingura
vana Miriro. Nguva dzainge dzava kuma
22:00hrs. Akati ari bishi kuona hake tv
ndopaakanzwa nhare yorira kuma around
23:30hrs. "Tava pa tall gate yekuenda ku
Modimolle babe chifanotimirira pa Caltex
garage." Ndi Miriro ainge afona. "Okay my
queen. Right away. Ko tete havadi
kumbotaurawo neni?" Aidaira achitsvaga ma
keys emotikari kuti aende kwaainge anzi
afanomirira. Akabuda zvake ndokupinda
mumota onanga ku N1 kwaaizonosangana
naana Miriro. Pasina nguva asvika bhazi
rakabvawo rangosvika. Runyararo na Miriro
vakadzika havo netwuma bag twavo. Vakaita
sevachawisana vachimhanyira kunombundirana
na Frank.

Hesi kani my love! Yoh! It's like I'm dreaming


awake ufunge hako. I missed you so much
honey. Thank God you arrive safely. Tete hesi
kani my dear. Hows mom back home? How was
your tour? Ndofunga warunzwa nokugara."
Aitaura achi puruzira dumbu ra Miriro rainge
roonekera kuti rine chinhu mukati."
"Ngatiisei zvinhu tiende kumba tinotaura
tasvika. It's not safe here this time. Anyway
how's my little wani inside you?" "Ari bho."
Aitaura achiyemerera zvake Miriro .Vakapinda
mumotikari vonanga kumba. Vaifamba vachi
kurukura havo vachiseka. Vachisvika kumba
vachingoti pindikiti mumba Miriro achiona
kutsvinda kwainge kwakaita mumba akabva ati,
"Babes! Who have been staying in my house
with my husband when I was away ?"
Akabvunza Miriro achishamisika kuona
zvaakawana mumba makanaka zvaiyemurika. "I
know you can't do this yourself. Somebody did
this for you. Who's she?" Frank akaseka zvake
ndokuti "Come on babes! Stop being crazy. I
took the whole day today making this place the
way it looks. Just to surprise you. There you go
now. Being surprised. Ndozvandandichida
chaizvo." Vakambundirana ndokutsvodana.
RUNYARARO ainge agara pa sofa semunhu
ainge aneta zvake.....
End of chapter 11

*NDAIMUDA*

Story By Oxey
0788491505

*Chapter 12*
Jeri rakava gehena kuna Jorum zvekuti ainge
ave kudemba rufu. Mamwe mabhanditi
akasvika pakuchema chema kumapurisa kuti
Jorum ainge ovatadzisa kana kurara chaiko. Izvi
zvakaitisa kuti aiswe mu cell make ega. Ainge
oita seadambuka njere nokuti Romeo haana
kuda kumusiya. Dzimwe nguva aiuya nemaziso
aibvira moto achionekwa ropa kuchururuka
paakadhuurwa na Jorum. Iye Jorum chete
ndiye aizviona.

Panguva dzekuti Jorum adye aingoona pamwe


chikafu chadirwa ropa kana mavhu zvaaishaiwa
kuti zvaibvepi. Pakurara aiona Romeo
achimunetsa zvekuti kwaiedza akaneta
nokumhanyiswa usiku hwese muchitokisi kunzi
wakandiurairei. Yakava raramo ya Jorum
kwenguva. Hama dza Jorum dzaipota dzichiuya
kuzomuona asi vairwadziwa kunyange
vakambotanga vakagumbuka kuti akavaparira
ngozi uye akaendesa pfuma asi apa
vakazozviona kuti ainge azviparira ega ngozi
nokuti rugare ainge asisina zvachose.

Dr Tsapi zvavainge vadzoka ku honeymoon


kwavo vaipota vachinonyaradza vekumba
kwasahwira wavo mushakabvu Romeo. Vaiti
vakafunga ushamwari hwavo na Romeo
vairwadziwa zvekusvika pakusvimha misodzi
nekuzvishora kuti ndivo vainge vakonzera kufa
kwake. Asi ne tsigiro ya Ruva vaizonzwawo
kutonhorera mumoyo asi zvaingova zvenguva
pfupi nokuti firo ya Romeo yakarwadza
vakawanda uye nekuda kwemukadzi wavo.
Ruva panguva iyi akafunga zano nekukasira
ndokungovhara vhara vanhu veukama
kwaakaroorwa pamwe na Dr zvakaita kuti
pashure pakanguva kadiki ainge ave atobata
nhumbu.
Nhumbu zvino yainge yava memwedzi
zvakaunza mufaro pana Dr vakatorivara zva
Ruva zvakare. Nhumbu ndochimwe chinhu
chaimbopota chichivaraidza Dr kuti
vambokanganwa nezve rufu rwe shamwari
yavo zvakare. Baba na mai Ruva zvavakanzwa
kuti vana Ruva vainge vadzoka ku honeymoon
vakada kumboonana nemukwasha wavo sekuti
vainge vasati vambowanawo nguva yekumuona.
Zvakare ne nhau yerufu rwa sahwira
wemukwasha wavo pamuchato wemwana
wavo vakadawo kuti vambomuvaraidza
nekuonesana.
Dr vakabvuma havo kuenda kuti vapedzise
mazuva avo e leave vari kubasa kwavatezvara
vavo sekuti vaifarira kuteerera mukadzi wavo
Ruva. Pane zvaaitaura vaisada kuitisana nharo
naye nokuti vaviri ava vaiwirirana.

Runyararo zvaakasvika kumba kwa sir Van


Herden akasviko ratidzwa basa raaizoita,
mamiriro ainge akaita pamba apa uye
nekwaaizogara. Akafadzwa nokuona
achiratidzwa mutsa nemurungu wake. Chikafu
akanzi aingodyawo ipapo paaibikira sir Van
Herden.

Chinhu chaimunetsa indangariro dzeumwe


wake. Shonga (ring) yake Ainge akapika kuti
paaizoenda pose ainge ainayo sechirangaridzo
chokufunga Romeo . Aiti akaitarisa
nemifananidzo ya Romeo mu phone aitanga
kurwadziwa. Sir Van Herden akazviona zvavo
misi nenguva kuti Runyararo ainge achine
marwadzo mumoyo Saka vakatanga kuvamba
hushamwari naye kuti vapote vachimuita
counselling apo neapowo paaiwana nguva
kunyanya pa lunch kana ma weekends.
Runyararo akatenda Mwari chose nerudo
rwaaipiwa nemurungu wake zvaaisafungira.

Miriro nhumbu yainge yakura chose uye


yakava mufaro kuna Frank zvekuti ndoyainge
yangove nyaya pese paaifamba. Akaenda hake
ku town na Miriro na Takudzwa kunotenga
preparation akabva atotenga ne zvidhori
zvakaitisa kuti asekwe na Takudzwa na Miriro.
"Nhai sahwira wabva watenga ne zvidhori
unoziva kuti munhui here?"
"Aaaah ihwe! Ndoziva kuti kakomana kani."
Vakaseka zvavo vachidazoka kumba.

Runyararo na Sir Van Herden vakawirirana


kusvika pakuti vainge vopedza nguva vari vose.
Sir Van Herden vainge vakarambana nemukadzi
nguva dzainge dzakapfuura Saka vaigara vega
uye aisava munhu mukuru asi semunhu aiva ne
mari vashandi vake vaingomuremekedza
vachingomuti Sir. Wirirano yavo yakaenderera
kusvika rimwe zuva Runyararo azviona kuti
ainge aba moyo wa boss vake. Kuzvibata aigona.
Ainge azviudza kuti haaizoda mumwe murume
munguva shoma kusvika anyatsopora mumoyo.
Asi nemutsa waaiitirwa na Van Herden nayewo
akanzwa kuda boss.
Vakatanga kuwirirana vaviri ava muchihwande
sekuti Runyararo aisada kunyadzisa hanzvadzi
yake asika rudo rwakafashaira zvekuti Van
Herden ainge oda kuroora Runyararo uye
kuzivisa vanhu nezve rudo rwavo. Ainge aneta
nokugara ega uye ainge ava kuda mwana. Saka
zvakamutuma kuti ade kuudza Frank kuti
Runyararo akamuisa imwe Shongamunwe (ring)
asati asvika frank nekuda kwe ring yaainge
yapfekedzwa kuna Runyararo ndoimwe
yakazoita kuti Frank afungire chero ainge asati
audzwa. Yaainge akatengerwa na Romeo iya
Frank aiziva zvekuti akaona mutsauko.
Akabvunza Runyararo nezve ring yainge
yakanaka yaive ainayo asi akangoti akainhonga
pakucleaner mumba ma Van Herden.
"Ndiyani wawada kutamba naye pabasa apa
uchiri mukuchema mukomana wako nhai
hanzvadzi? Ndokumbira utange wazvibvunza
moyo wako kana uchinzwa wapora Runyararo,
zvakare tsvagawo murume kwaye ane hunhu
kwete kuti chero ari murume." Aidaro Frank
paainge ashanyirwa na Runyararo.
"Aiwa mukoma handina munhu wandingade
pabasa penyu paye hapana type yangu."
Akaramba zvake asi chiso chake chaionekwa
kuti pane zvaaivanza......

End of chapter 12
*NDAIMUDA*

Story by Oxey
0788491505

*Chapter 13*

"Runyararo handina kutanga kukuziva nhasi.


Ndinoda kukuyeuchidza chinhu ichi, iwee
waisadanana chete na Romeo asi kutoti uri
mukadzi wake. Uyeuke kuti takatambira zvinhu
zvemunhu tanga tamirira muchato. Ukazoda
kumhanyira kumedza kutsenga uchada
zvinozotinetsa mangwana. Ko kana vekumba
kwake vakada kuti ugarwe nhaka iwe wava
kutoita zvimwe? Rangarira tiri vanhu
vanoshanda nechivanhu. Uye kuuya
kwawakaita kuno handina kukuunza kuzotsvaga
murume asi kuzopodza moyo uchitsvagawo
kabasa kangakuvaraidza."
Frank ainge ava kubatikana nezvaaifunga
kuhanzvadzi yake Runya.

Runyararo akamboda kuzvibata kuti asadaira


asi mashoko ekugarwa nhaka haana kumubata
zvakanaka. Akabva aedza kupfavisa rurimi
rwake kuti mashoko aaizotaura asazobhowa
hanzvadzi yake. "Mashoko ese amataura
mukoma ndinoanzwa uye ndinoaziva. Asi
yenhaka iyo vehama ini muchandiregerera,
handingazvigone hangu kutaura idi. Murume
wangu aiva Romeo kwete mumwe munhu
wemhuri yekwake. Hapana kana ani angagona
kundipa rudo rwandaipiwa na Romeo kana
kutora chinzvimbo chake mumhuri mavo kunze
kana ari anenge adiwa nemoyo wangu kwete
zvekutumirwa kana kusarudzirwa murume.
Romeo ndaimuda chose nemoyo wese
zvamunoziva mukoma. Asi zvaafa kudai afa ne
moyo wake uye ne rudo rwake. Asizve
hazvinganditadzise kuenda mberi neupenyu
nekuti hapana paachazodzokazve muupenyu
hwangu. Zviri zvepfuma musatya henyu,
ndichaidzora ini. Murume achandiroora
achabvisa zvese zvakabva kwana Romeo kana
iri nyaya yekuti ndingasungirwa upenyu nekuda
kwepfuma yaakabvisa."
Mashoko a Runyararo akaita kuti Frank ave ne
chokwadi kuti pane munhu chete wainge
odanana naye asi kuti aiva ani ndizvo
zvaaisaziva. Akakasika kuchinja musoro
wenyaya hake mumoyo achiruka zano kuti
atume Miriro kuzoita tsvagurudzo sezvo vaviri
ava vaiva mukombe nechirongo. Akazooneka
hake oenda kwa Takudzwa. Akadaidza mukadzi
wake Miriro kuti asiye amuraira.

"Babes! Ndoziva iwe na tete vako


munonzwana chaizvo. Saka iwe chisara
uchitsvagurudza kuti vanodanana nani nokuti
handingaregi hanzvadzi yangu ichizviwisira
mukanwa megarwe iye achiri pakuchema kudai.
Wozondiudza zvaunenge wawana
pandichadzoka." Akabuda ndokuenda hake.
Vakasara havo vachifara tete nemuroora
semazuva avo ekumusha. Vainge vosuwana
nenhau yekuti Rue ainge ogara kubasa saka
kuonana kwainge kwava kushoma. Miriro
semunhu ainge atumwa ne murume wake
kuferefeta akatanga achibva nekure. "Tete
matsvuka vedu asikana. Kugara mumba kanhi
kkkkk? Bva kana iriyo mvura yekuvarungu
inodai ndava kuchizotsvagawo basa re stay inn
pamwe ndingatsvukirewo." Vakakwetsura
chikwee zvavo vachirovana maoko. Ava vanhu
vaisaita sa tete nemuroora kuwirirana kwavo.
Vaiti kana vasangana zvokwadi hakwaidanwa
anonzwa.

"Ummm ma stay inn anoda isu shirikadzi


asikana, imi mune varume aiwa dzikamai
muchengetwe mungaputse kana kuputsirwa
dzimba." Miriro akanzwa kuti pane zvaida
kutaurwa apa asi zvaisendurwa semashamba.
"Ko dzinogozo putsika nei nekuti ndinenge
ndichiuya hangu kuzoona babamwana kupera
kwe svondo rega rega?" Akanyepera kunge
aisaziva painanga nyaya. "Ummm imi woye.
Moyo wemunhu munyengeri. Tidzikamirei apa!
Makaroorwa imi mune vanokuchengetai.
Muchava muchada kushanda kuti moda
kubatsirana kutenga ndege here aah tibvirei
zvedu." Vakaseka zvavo. Runyararo semunhu
aisagona kuviga chakanaka muhana akasa udza
muroora akazoti,"Maiguru ndivimbisei kuti
hamiuzoudzi mukoma." Ainyemwerera
achitarisa nekabandi keziso.
"Tete munondiziva imi, ndozobufura gure nhasi
kuti ndava kupenga here? Huyai nayo tidye
nenzeve zvedu."
Runyararo akamboita seasisade kutaura
ndokuzoti,"Mukwasha wenyu Romeo ndaimuda.
Nazvino i still think about him most of the times
but hazvichina yamuro. I have to move on with
my life since ndichiri mwana kudai. I am in love
with my boss, Mr Van Herden." Miriro
akashama achiratidza kukatyamara asi chiso
chakazara ne mufaro.

Hondo kuna Jorum yakaramba kupera


nemushakabvu. Akatanga kuti pese paaidya
kana kunwa ingava mvura ainzwa kudzvinyiwa
pahuro. Nzara nenyota zvakatanga kumubaya
zvino. Akaedza kuudza varindi ve jeri asi
hazvina kuyamura. Akatanga kupera kuonda.
Akati akarara mumwe musi akaona Romeo
amira pamberi pake ndokuti,"I want you to die
slowly but surely. You killed me for no reason.
Naizvozvo handisi kuzokunzwira tsitsi kana
kukusiya uchirarama." Jorum ainge odemba
kufa zvino. Hama dzakanga dzaita konde konde
kubvisa mombe dzekuripa ngozi dzaigaro
kungura nokudemba kuita kwa Jorum. Mai
vakewo kwavakatamira upenyu
hwaisavafambira sezvo vasina wavaiziva uye
v v ch h h v b t …

End of chapter 13

*NDAIMUDA*

Story by Oxey
0788491505
*Chapter 14*

Frank akawana Takudzwa akagara hake


achitaura parunhare. Akagogodza Takudzwa
ndokusimuka odongorera. Akaona arisahwira
wake ndokugutsurira kuti Frank apinde.
Vakagara havo Taku achipedzisa kutaura ne
foni. Paakapedza vakamhoresana
havo,"Ndeipiko sahwira? Kuri sei kumba kwako
navadzimai nekamudhoni?" Aimhoresa mumwe
wake achitsveta nhare yake kwakadaro. "Kuri
bho zvako uri sei shamwari? Ko tadii
kimbopinda mukati umu timbovarairwa zvedu
tichiona vanhu nekumbonwira nwira?" Vaviri
ava zvainetsa kuti mumwe akauya nezano rake
mumwe akakavadze. Vese vaizivirana
zvaivanakidza saka nokudaro vakatenderana
pazano ra Frank iri ndokubuda ne mota ya Taku
sezvo Frank ainge auya hake netsoka. Vari
munzira vachifamba kudaro Frank akabva
ati,"Shamwari uchayeuka ndichikuudza kuti Rue
ane munhu waava kudanana naye? Ndinoona
kuti ndizvo asi kuti munhu wacho ndiyani
ndizvo zvandisingazive manje." Nyaya
yaimutenderedza musoro iyoyi. Takudzwa
akangonyemwerera zvake semunhu asina kuita
hanya nezvainge zvataurwa ndokuzoti cheu
otarisa mumwe wake maoko akabata
chidzoreso chemota ndokuti,"Nhai Frank?
Ukazoita takarasima nekunyengwa kwa
Runyararo hanziiko? Uyeuke kuti Rue haasi
mwana mudoko kana muramu waunoti
unozorasikirwa nechimutsa mapfihwa.
Anodawo rudo pamwe nekuvaka imba sewe. Ini
dai ndiri ini iwewe ndaisiyana nazvo nekuti
ukakwira mugomo uchitsvaga makudo
unomawana. Ko mukutsvagurudza kwako
ukazowana kuti fungidziro dzako ichokwadi uye
wowana kuti munhu wacho haaite kana kuti
munyarikani uchaita sei? Angoriwo mafungiro
angu nemaonere semunhu wawabvunzawo kuti
ndikupe mazano but kana ndaresva sorry hako
usandigumbukira." Frank akamboti zii
achikwenya gotsi zvokuita seapererwa
nemashoko.

Vakati vambotenderera kwazvo pasina aitaura


nemumwe Frank akazoti kuna Takudzwa,
"Mashoko ako akanaka asi nerimwe divi
panodazve kuongororwa shamwari. Munhu uyu
rangarira kuti akabvisirwa pfuma zvaunoziva
iwe. Ko kana vekwana Romeo vane humwe
hurongwa sezvo ari muroora wavo apa iye
anenge atova mberi nedzake? Usakanganwa
kuti ndakamudaidza kuzopodza moyo wake
kwete kuzoita zvevarume kuno."
Takudzwa akangodzungudza musoro nekuti
zvese zvaitaurwa na Frank iye njere dzake
dzaiva kumberi nechekare mhinduro aiitoita
seainge agara anadzo kare. "Hongu ndinozviziva
zvese izvozvo sahwira. Asi unofunga kuti Rue
angabvuma kugarwa nhaka mukore uno?
Zvimwe zvakaenda na Muzorewa tofanira
kundozvisiyawo. Hongu akafirwa but
anekodzerowo ka dzokufara nhai sahwira. Inga
iwe wakarwadziswa na Ruva wani asi
wakazowanawo zviuya kumberi? Kudai
wakaramba uchingo chema noku chema waidai
wakaroorana na Miriro here Sahwira? Pafunge
mumwe wangu. Usaomesera hanzvadzi yako
kudaro. Inga wani vamwe vanoti love heals?
Wadii kumupawo mukana wekuti apodzwe
madzimba nerudo sezvawakaitwawo?
Tsviri tsviri kuchema asi siya nokuti zviuya zviri
mberi" Frank haana kana kukwanisa kudaira
akango bata pahuma ndokudzungudza musoro.

Vakati vaneta nokutenderera vambonwira


nwira zvavo vakazodzoka kumba. Taku
akatanga nokuendesa Frank kumba kwake
ndokuzodarikira kwake. Frank akasvika
akawana pamba pachiitwa mujee mumba
zvekuti ega akanzwa kuti vanhu vainakirwa
zvavo. Akasviko swedza hanzvadzi yake
nechiponda moyo chake Miriro
ndokumutsvoda okumbira kuti auye
mudhanduru azonzwa kana pane zvaainge
awana.
"Babe! Ndokukumbirawo kuno kwenguva
shoma unozodzoka hako motamba na tete vako.
Tete Rue ndipewo nguva nemumwe wako
shamwari anodzoka zvake." Aitaura achipinda
hake ku dhanduru. Miriro akachonya Runya
achimusvitsa mwana oenda kwaainge adaidzwa
nemurume wake. "Eeh madam! Tell me what
you have found pane zvandakutuma." Miriro
akatanga afemera pamusoro ndokuti,"Babe!
Why don't you let this thing go? What makes
you want to dig deep into it? Rega tete
vafarewo kana vawanawo anoda kuvafadza
kani. Nguva yarebesa Romeo afa kani. Kusvika
pakubara mwana wedu uyu haisi nguva shoma
kani babe. Hongu i know kuti sei uchinyanyova
so much concerned. Asika ziva kuti tete zera
ravari iri harisi ringa bvuma kugarwa nhaka
kana kungonzi gara vasina anovatandadza.
Vachiri mwana pazviri babe please give a girl a
break." Frank akashaya remuromo nekuti
mhinduro iyi akange aipiwa ne vanhu vaviri,
asika akange asati audzwa zvaaida ndokuzoti,
"Okay maimwana ipapo ndapanzwa. Ko saka
anodanana nani? Ndipo chete pandinoda
kuziva." Miriro akanyemwerera achinyaririra
ndokuti,"Promise me you wont ask or become
angry." Frank haana kudaira nemuromo asi
kungogutsurira semunhu ainzwa kunonokerwa.
Miriro akaenderera mberi asi asati ataura
akadongorera kuti aone kana Runyararo ainge
asina kuhwandira ndokuzoti nekazevezeve,"Na
boss wenyu VanHerden. Varikutoronga
kuroorana as we speak. Ndiyo nyaya
yanyanyovinga tete kuti vazondiudza asi iwe
babe don't say anything kusvika zvava official
announced."
Frank akanzwa kupererwa nemweya
wekufema avhundutswa nezvaainge audzwa na
Miriro. Akabva atanga kutondera mashoko
ainge ambotaurwa na Runyararo kuti murume
aizomuroora ndiye aizobhadhara marooro
ekwaana Romeo kana paizoita nyaya dzekuti
aramba kugarwa nhaka saka pfuma yodiwa
nevene. Akango bata muromo achidzika
kuchirebvu uku achikwenya guro kuro
ndokutarisa mudenga achibva afemera
pamusoro............

END OF CHAPTER 14
*"NDAIMUDA"*
Story by Oxey
0788491505

*CHAPTER 15*

Runyararo hana kuzogarisa sekuti ainge ava


kufunga mumwe wake uye aida nguva
yekufunga mashoko ekuzopira nawo nyaya
kuhanzvadzi yake kana mhinduro kana
aizotangirwa kusvitsa nyaya kuna Frank na
Miriro nokuti chaaigara achizviudza ndechokuti
aisazofa akavimba munhu ne drama raainge
amboona kuna Frank na Ruva akabva aziva kuti
moyo wemunhu munyengeri. Akaoneka
hanzvadzi yake iri kumba kwekurara
ndokubuda operekedzwa nemuroora wake
kunosangana na Van Herden sezvo ainge
atomunyorera message.

Nguva hadzimirire hurongwa hwedu dzimwe


nguva. Ukatarisa pane iyi nguva Runyararo
akange ave kutokwanisa gore auya ku Soiuth
Africa asi hanzvadzi yake aingoda chete kuti
ambopodza moyo. Iye pachake ainge onzwa
moyo wake kuti wainge wapora. Ko vaidawo
kuti agare kusvika riinhi nokuti kubva zvaainge
auya na Miriro achine nhumbu ine mwedzi
mitanhatu apa akange atova nemwana
musikana akange avakudzidzira kugara aingonzi
podza mavanga emoyo chete. Mwana wa Frank
na Miriro akange apiwa zita naiye Rue rekuti
Charity Rucheneko.

Miriro haana kure kwaakazosvika nokuti ainge


oda kudzoka kumwana zvakare aisada hake
kusangana na Van Herden. Rue achingosvika
pa Waterfront akawana mukomana wake
atomirira. Àkasviko tsvodana nemumwe wake
ndokupinda havo mumota voenda. Vari
munzira kudaro vaifamba havo vachikurukura
nezvenyaya iyi. Van Herden aifunga kuti pamwe
Rue ainge atosvitsa nhau kuna Frank.
"Did you manage to tell him babes?"
Akabvunza akaturika ruoko rwake rwe
ruboshwe pabendekete ra Runyararo rwe rudyi
ruchirova motikari. Runyararo akabva atarisa
mudenga achiyemerera zvake ndokuti,"No
babe. I couldn't. My brother already knows that
i am in love with someone but doesn't know
that someone is you. So i need some time to
come out with a better way of telling him. I
don't wanna destroy your friendship with him
my love." Herden semunhu ainzwisisa kuti pane
musiyano pakuitwa kwezvinhu kurudzi rwake
ne rwa Runyararo haana kuita nharo kana kuda
kutaurisa. Akabva angoti,"Its okay my love. I do
understand that in your community you have
your own ways of dealing with such issues."
Akabva agutsurira ndokumutsvoda pahuma
vakanyemwererana zvavo.

Jorum zvakakurira kusvika pakudambuka njere.


Romeo haana kumbobvira amupa zororo siku
nesikati. Kuona munhu waaiziva kuti akafa
akavigwa kwakamutenderedza njere kusvika
pakupenga. Akaburitswa nokuti vainge voona
pasisina chikonzero chekumuchengeta. Dr Tsapi
na Ruva wavo vakasvika panguva
yekukanganwa nezva Romeo. Kwete nokuti
zvainge zvava ngano asi kuti vaida
kumbovaraidza nokuzorodza njere nokuti kana
kushanda chaiko chiremba zvainge zvave
zvokungoti munhu ainge asisina sarudzo.

Hama dza Jorum paakaburitswa dzakadaidzwa


kuti dzizomutora nokuti chimiro chaaiva nacho
zvaisaita kuti angoregwa aende pasina
aimutarisa.

Runyararo ne mudiwa wake pavakasvika kumba


vakagadzira kudya kwemanheru ndokudya havo.
Vachipedza Runyararo akabva audza mumwe
wake kuti aida kanguva kekumbonyatsotaura
ne hanzvadzi yake pamwe nokunzwawo
pfungwa dzamai vake nehama dzaiva kumba
pakufunga kwaainge aita neramangwana rake.
Akatanga kubatika mumoyo nokuti aisaziva
pekutangira uye aisaziva mhinduro
dzaaizowana. Akazorovera moyo padombo
ndokutanga neku hanzvadzi yake kwaainge
abva. Akanyora zvake akapora chero zvazvo
hana yaibika manhanga.

"Mukoma ndinoziva zvakaoma kuzvitanga


kutaura kwamuri asi handina choice mwana
wamai vangu kunze kwekukuudza. Ndagara
nguva ndichichema murume wangu Romeo
kubva zvaakaurawa asika kana uine ronda
ukawana mushonga haungaregi kurapa uchiti
richapora rega kana nguva yakwana zvakare
ndofanira kungochema kusvika rapora. Ini
rangu ronda remoyo ndazoriwanirawo
mushonga wekurirapa. Ndinoziva
zvichakurwadza kana kuku shocker asika moyo
muti unomera pawada. Pakati pemipata
yemakomo nepakati pemabwe inomera miti.
Mbavha ne mhondi dzinoroora. Ini hangu
ndakatorana moyo na Van Herden. Ndokumbira
zvisakugumbura mwana wamai vangu kana
kukudya moyo. Love can be found anywhere."
Yaka sendwa ikaenda message. Ko aigozivei
hake kuti Miriro ainge asvitsa nyaya kare kuna
Frank.

Haana kumirira mhinduro. Akabva anyorera


mai vake,"Maswera sei pazuva ranhasi mhai?
Ndinovimba munosimba chose. Ndanyora
tsamba ino kwamuri kuti ndikuzivisei
zvandafungawo neupenyu hwangu
neramangwana. Ndinoziva kuti munogona
kuona senda mhanyirira zvinhu asi ndaona iriyo
nzira ingapodza maronda emoyo wangu
nendangariro. Ndawanawo anondida amai.
Ndinokumbirisa kuti musazvitora nemamwe
maonero uye musandigumbukira,
chandinokumbirisa kwamuri iropafadzo yenyu.
Ndokumbira kana mawirirana nemafungiro
angu moudzawo babamudiki Tonde motuma
munyai audzewo vekwana Romeo zvandafunga.
Ini hangu iri yekugarwa nhaka sekufunga
kwandakaona kuri munjere dza mukoma Frank
handikwanisi zvangu veduwe mundiregerere.
Rudo harutumwe uye harusarudzirwe.
Chinyakare chakasara kare, handina kuzvarirwa
pandakada Romeo ndakamuda nemoyo wangu.
Zvino zvaafa kudai afa nemoyo wake wandaida
nerudo rwaaindipa haruna achagona kurutsiva.
Saka zviri nani ndiitewo zvinondifadza.
Ndinovimba kuti naye sekuda kwaaiita
kundiona ndakafara achafarira sarudzo yangu
kwaari ikoko." Aka sender ikabva yaenda.

Pasina nenguva ya Frank mhinduro yainge


yauya. "Tete Runyararo mwana wamai vangu,
handingakubatire demo kurambidza zvada
moyo wako. Iwe ndiwe unoziva zvakakunakira
uye zvinoda moyo wako. Kana uchiona sekuti
mungava nerugare nomufaro na Sir Van
Herden ko ini ndingava ani chaizvo kumira
pakati penyu? Asika chiitai zvinhu negwara
rakanaka risingazotinetsesi ne mhuri yekwa
Romeo kana kuti mutsira ngozi. Sekuziva kwedu
tese kuti Sir Van Herden vaiva kurufu
rwemurume wako ndofunga vanoziva zvese
zvakaitika saka kana vachikuda hako zvakadaro
ndingatii? Kana Mwari vati hongu ini
ndoriwanepiwo simba rekuti kwete? Chandino
kushuvirai mufaro usina magumo
nokuzoonawo vazukuru vangu vachifara
nemhuri ine rufaro. Ndichazouya totaura
zvakanaka tose takagara pasi na Van Herden."

Paakapedza kuverenga tsamba iyi akasimuka


nenyemwerero yaidadisa zvakangobva
zvaratidza kuna Van Herden kuti pane chinaku
chainge chaitika. Vakambundirana
nokutsvodana kukuru asati apira nyaya yake
Van Herden ndokuzoti,"Hooo!! Babe! Whats
going on? Why so happy? Did you win lottery?"
Runyararo akangobata matama mudiwa wake
ndokumutarisa mumeso oti, "Brother Frank just
gave us his blessings, he even wants to meet us
together and discuss way forward." Herden
akango nyemwerera ndokuti ,"Wooooow! I
cant wait to make this official and even
introduce you to my family in Capetown. I will
take you there soon after the meeting with my
brother in-law." Vakambundirana ndokusimuka
voenda kunorara sezvo kwainge
kwasviba.................

END OF CHAPTER 15

*"NDAIMUDA"*

Story by Oxey
0788491505
*CHAPTER 16*

Mai Runyararo sekudaidzwa kwavainge vava


kuitwa mumana kubva zvakaroora Frank uye
sezvo Runya aiva iye mudoko, vakasimuka
voenda kwa babamudiki Tonde nenyaya iyi.
Havana nokutanga kupa mhinduro kuna Runya
bodo. Vainge vavhundutswa nechiitiko ichi
sezvo vaitarisira kuti pamwe Runya aizoti sezvo
Romeo aiva munin'ina wake Mufaro aizoda
kugarwa nhake naye.
Vachisvika vakawana babamudiki Tonde varipo
zvavo vachisasika mbeva dzavo. Vakamutsana
hope ndokugara havo pasi voda kutaura nyaya
yavainge vafambira. "Zvamunoona ndauya
pano kudai babamudiki ndine nyaya hurusa
kwazvo inondinetsa yandinoziva kuti
ichakunetsaiwo. Nyaya ya Runyararo." Vasati
vamboendepi vainge vatogamiwa na
babamudiki Tonde semunhuwo aifarira nyaya
ainge otonzwa kunonokerwa. "Aiteizve
mukunda wangu nhai maiguru?" Vainge
vonzwa kunonokerwa vachichikinya iwo maziso
mahombe ne maoko ainge akanunira mafuta
embeva. "Andinyorera message iyi iri pano iyi.
Hanzi ndafunga kuwanikwa ndawana anondida.
Zvino nyaya yondidya moyo ndeyekuti ko
kuvarume vake uko hakungazovi nenyaya here
sezvo anga akabvisirwa pfuma tikaigamuchira?"
Vakapira nyaya yavo mai Runyararo.
"Aiwa zve maiguru. Ini ndinotenderana
nokufunga kwemwana wangu. Munhu kana
afirwa anekodzero yokuda waanoda. Imi
makadai handingatori mukana wekuti sezvo
mukoma vakashaya chiitai mukadzi wangu
bodo. Hatidarozve. Zvekugarana nhaka
zvakaenda na Muzorewa izvo. Isu pano
takakusunungurai kuti mutevere zvinoda moyo
wenyu kwete nokuti taisagona kukuitai mukadzi
bodo, asi kuti zvimwe zvakare ngazvi sare kare.
Nekuvarume va Rue ndinovimba
vachazvinzwisisa. Rudo mushonga wemoyo
maiguru. Zvaawanawo waada ngatimupeiwo
gorokoto timushuvire zviuya." Babamudiki
Tonde vainge zvino vagara padombo iwo meso
ochururuka misodzi nechiutsi chemafuta
embeva idzo dzainin'ina pachoto. "Ipapo
ndopahwa murunyana wangu. Asizve isu
hatingazive zvinoda varidzi vemunhu. Handiti
mukadzi wevene haana kurambwa munhu uyu?
Saka tadiiwo tahwa mafungiro avo?" Ummm
mai vakange votaura chavo chaicho chekwavo
Masvingo chikaranga. "Haisva bva kana
zvakadaro hazvinetsi zve maiguru, handiti iko
zvino kwava nemafoni? Ngatifonerei
VaMushanyu tivapire nyaya vaende nayo
kuvakwasha sekutaura kwake Mwana."
Vakadaro babamudiki Tonde vachibaira rutanda
pasi. Mai Runyararo vakapinza ruoko
mukachikwama kavo vopa babamudiki Tonde
runhare.

Runyararo na Herden vainzwa kunonokerwa


sezvo usiku hwese vakarara vakateya nzeve kuti
zvimwe vaizonzwa zvimwe kubva kuna mai.
Kwakanga kwaedza zuva rakwira chaizvo asi
hapana chavainge vanzwa. Runyararo akanga
asisina mufaro nekuti ainge asingachazivi
chaitora nzvimbo kana zvaida moyo wamai
vake sezvo vainge zvavo vasina kudapindura
chinhu.

Babamudiki Tonde vakabva vafonera


Vamushanyu vovaudzawo nezvenyaya ya Runya
iya. VaMushanyu havana kutambisa nguva
sezvo vai pedyo nemusha wekwana Romeo.
Vakariendesa shoko. Vakawana mhuri iripo
hayo ndokupira nyaya. Zvakanetsa kuti vekwa
Romeo vadaire nyaya nekuti pane vamwewo
vana Mufaro vainzwa kuti kurega Runyararo
achienda zvakafanana nokurega mombe dza
Romeo dzichiita fararira nesango. Runako rwa
Runya rwaivaba moyo zvekuti vainge vatoteya
kare iri mudanga. Asika rudo moyo kwete
runako rwemeso. Chinonzi rudo kubva kare
nakare hachina kubvira chaonekwa pahuma asi
runotozoonekwa pane vanodanana. Dai
rwaionekwa pameso sevanga vamwe vedu
vaidai vasingachemedzwe ne rudo nokuti
waitanga nokuona chipimo usati wakumbira
kana kugamuchira rudo. Ndizvo zvakanetsa
panhaurirano ne munyai nevakwasha.
Vakasvika pakufonera vakarabwa vavo kuti
vanzwe kuti zvainge zvafamba sei. Babamudiki
Tonde vakatambira foni ndokuti, "Tonderai
Chirasha ndiye ari pa nhare, Hello!",,,,,,,"
Ehe ndizvo maona munyai. Ndiyo nyaya yacho.
Nesu takatumirwa message madeko anezuro
yatisati tashandura nazvino nokuti tati titange
tanzwa mhinduro yenyu"
"Zvino kana nyangwe mukati hamudi kana iye
achiti zvekugarwa nhaka haangazvikwanisi
munoda isu tidii?''

"Aiwa ka! Aiwa! Izvozvo hazvigoni zve. Kuti


akazvarirwa here anganzi haana mvumo? Kana
muchida pfuma yenyu huyai kana izvozvi
mutore. Aikaka! Sei muchida kuvaka gomo
kubva pachuru imi? Moona sekuti tinotambura
maningi zvekuti mukatora pfuma yenyu tingafa
nenhamo nhai?" Vakange vagumbuka nokuti
munhu wavaitaurawo naye aive nehasha.
Vakabva vango dimbura nhare ndokuridza
tsamwa. Mai Frank vakaona kuti painge
pasisina nyaya kwadzo ndokubva vango
gumbata maoko ndokutarisa bambamudiki
Tonde voti, "Saka todii? Tomuudzei mwana?
Vatii vakwasha?" Vainge vasingachazivi
zvokuita zvekuti mibvunzo vainge voita
yokumwaya. Babamudiki Tonde vakabva
vati,"Wangu mwana haanga dzvanyirirwi
kodzero dzake. Vanhu ava chero kugara vese
vanga vasati asi mumwe munhu nokusagona
kupfimba wava kuda kudzvanyirira mwana
wangu? No! Hakuna iyoyo. Ndinomuudza
Runyararo kuti maropafadzo angu ndamupa.
Avo ndichapedza navo ndini." Vakabva vasvitsa
mai Rue foni ndokusimuka votora yavo mumba
kuti vanyatsofonera Runyararo vachimupa
maropafadzo.

Vakaipinza nhare kuna Runyararo. Paakaona


kuti aiva manumber a babamudiki vake hana
yakarova. Akamboda kurega kudaira nokuti
aisatarisira kufonerwa na babamudiki vake
sezvo ainge ava nemazuva avaguma parunhare.
Akazvibvunza kuti sei zvakazodondana ne
message yaainge anyora zvakare sei mai vake
vaakanyorera vasina kudaira?
Akazongozvishingisa ndokudaira. "Babamudiki
makadii?" Zvaive zvekushinga asi hana yaibika
manhanga. Nyadzi dzaimutambisa nhova
sezvinonzi munhu wacho aivapo. Aitaura
akaruma kamunwe. "Ndafona maererano
nenyaya yako yawakanyorera mai madeko
anezuro. Mwanangu ini sababa vako ndakupa
maropafadzo. Kuchema nokuchema
hakuzodzosa mufaro wako werudo. Romeo
akafa hapana paachazodzoka mwanangu.
Handina hangu kufona kuti ndimutse mavanga
akapora kana kuita sekuti ndinofadzwa nokufa
kwa Romeo bodo. Asi kana wawana anokuda
newe uchimuda handione pachine chikonzero
chekuti urambe uchachengeta zvakapera
muhana mako. I bless you mwanangu.
Ndafarira kuti wada kubuda pachena hauna
kuita zveuguruvha. Muchengetane vanangu
musarwa murudo. Ko iye mukwasha
anobvepi?" Apo manje. Hana yainge yadzikama
yakasimudzira zvakare nerwendo. Akanzwa
makumbo achibvunda nokupera simba.
Akashaya kuti otanga sei
ndokuti ,"Ndichazokufonerai babamudiki ndava
busy." Akange asina kumbopiwa mukana
wekupindura pese apa achibva angoidimbura
nhare...........

End of chapter 16

*"NDAIMUDA"*
Story by Oxey
0788491505

*Chapter 17*

Van Herden semunhu aisada kuona mumwe


wake akasuruvara, paakaona Rue achiratidza
kuva nezvaimunetsa zvaainge anzwa panhare
zvikasamufadza akamuswederera kuti
amuvaraidzwe achibvunza zvaainge anzwa pa
foni. Kusuruwara kwa Runyararo kwaisava
kwekuti ainge audzwa zvaigumbura bodo, asi
akange apiwa mhinduro yaaisatarisira
nemunhu waaisatarisa zvakare. Chakava
chishamiso kuti pachinzvimbo chekufonerwa na
mai vake vaainge anyorera message
akazoshandurwa na bamudiki Tonde. Van
Herden paaiva bishi kuvaraidza mumwe wake
achitswanya tswanya mapfudzi achinyerekedza
(massaging) aakaona Rue osimudza musoro
zvinyoro nyoro achimucheukira ndokuti,"Guess
what babe? We just got blessings from my
uncle, uncle Tonde the one l always tell you
about. The acting father of mine. Wow! I dont
believe this. You know l thought he would stick
to the old ways you know! Wow! Babe this is so
awesome, l like it."
Van Herden akaita seachabhururuka.
Akazviona kuti mhuri ya Runyararo yaiva
nokuwirirana nokurongeka zvakava zvimwe
zvakamupa masimba okuda kukasika kuroora
Runyararo.
Runyararo akazoti,"Babe let me call him back
since l hung upon him before l answered his
questions due to fear." Van Herden haana
kudaira akango gutsurira chete ne musoro.
"Ngrrrrrr! Ngrrr ngrr!" Yakapinda nhare haina
kumborirawo kakawanda yainge yadairwa.
"Mhoro mwanangu. Ndafunga kuti pamwe
ndakutuka ka ndaona wadambura nhare yako?"
Ainge ava nehushingi zvino nokuti ainge
anzvera njere dzake nerudo rwake panguva
yaaitaura nemukomana wake akaona kunaka
nokukosha kwerudo. Akabva ati," Zviye mange
mabvunza kutii babamudiki?" Akanyepera kuita
seainge akanganwa zvake. "Oh! Ndanga
ndichibvunza kuti mukwasha anobvepi?"
Vakadaira zvavo asi vainge vaziva kuti
kwaingoive kubvunza nhando kuwana
matauriro.
"Ndovimba munomuziva babamudiki. Murungu
uye wakauya kurufu rwa Romeo nana mukoma
Frank. Ndiye zvakare wandinoshandira."
Akanzwa hana kurova muviri kupisa uchivava
zvekushaya pekukwenya. Babamudiki Tonde
vakambotoi zii. Achibva ati, "Hello! Muchiripo?"
Havana kunge vadimbura foni bodo asi vainge
vaibvisa panzeve kuti vaudze mai Frank kuti
kwaita mukwasha muchena.
"Ohh maiguru ndakakuudzai! Chero vokwana
Romeo vakaita dembe vachida zvinhu zvavo
tinovapa. Wangu mwana anerunako rwekuti
murume wese ane mari anorambwa aedza.
Hoyu adiwa nemurugu." Mai Frank vakangoti zii
vakashama muromo vakatarisa babamiudiki
Tonde. Vakazoenderera mberi panhare
voti,"Mwanangu wandipa manyawi.
Ndinozvikudza mwanangu. Rudo haruna rudzi
zvakare haruna ganda sedamba. Zvawawana
anokuda chibatisisa seyambiro yangu yemisi
yose. Usazotinyadzisa kuvarungu." Vakaseka
zvavo ndokuti,"Zvino isu namai vako
takanguma ma Sab A tichagona kubwereketa
navo naicho chingezi? Kuda hake kana achigona
chitatalapha." Vakabva vaseka havo. Kwaisava
kuti vaisagona chirungu asi kuti vaida
kumbotandara zvavo nemwana wavo semunhu
ainge afadzwa kwazvo. Vakazoti,"Zvakanaka
mwanangu ufarise mukwasha nehanzvadzi
yako iyo yadai kurova kana kufona. Chiri sei
chimwana chake?" Vakabvunza voda havo
kudimbura nhare. "Chinofara zvacho. Kukura
here kwachaita? Hamungatendi kuti hachisati
chagona kufamba mukachiona. Zvakanakai
babamudiki mofarisa mhai."
"Ndizvo mwanangu." Vakabva vadimburirana
nhare.

Pese panoitika chakanaka kana hurongwa hune


pundutso vanhu kutaura havaregeri. Zvapaiva
nekutaura pakati pemhuri yekwa Runya
nemhuri yekwa Romeo mashoko akafamba
kwazvo kupinda nzeve dzevazhinji.
Dr Tsapi na Ruva ndevamwe vakanzwa nezve
nyaya iyi. Vaviri vaigaro kungura nokunzwira
Rue tsitsi kuti aitandadzwa naniko zvaainge
atorerwa ruva rake? Pavakanzwa nyaya iyi
vakapembera sezvinonzi Romeo ainge amuka
kuvakafa. Dr Tsapi havana kuzombofunga
zvekuti munhiu aizoroora mukadzi wasahwira
aibvepi kana aive ani asi vakafarira chete kuti
mukadzi wasahwira uyo aigarochema ainge
awanawo munyaradzi zvakare aizokasira
kukanganwa nhamo yose yekufirwa nemurume.
Chavainge vochemera rugare pakati pevaviri
ava nepakti pavo. Vakavimbisana na Ruva kuti
vaizoenda kumuchato wa Runyararo chete
nokuti vainge vanzwa kuti munhu ainge
amuroora aive ani vakaziva kuti muchato chete
kumberi. Baba mudiki Tonde neshungu dzaiva
nehasha vakatasva bhasikoro vonanga
kuvakuwasha kunopedza nyaya yenhaka iya.

"Tisvikeiwo vepano!" Vakange vave na


VaMushanyu munyayi vachisvika pamba pana
Romeo. Vakatambirwa zvakanaka havo
ndokugara pasi vokurukura. Mufaro ainge
asingagoni nokugumbuka. Nyaya yakataurwa
babamudiki ndokuzoti,"Zivai kuti pamuri pano
hapana akapfimba Runyararo. Hapanazve
akabvisa kana kobiri reroora ra Runyararo, zve
Runyararo haana kuuraya mwana wenyu.
Hatina kusunga chisungo chekuti kana
Runyararo afirwa haabvumidzwe kuda mumwe
murume asiri wemumba menyu. Ko dai ari
Runyararo akafa ndipo pamaizorambidzwa
kutora mukadzi wamada nokuti muri
vakuwasha vedu? Hapana zvamuchataura
zvichashandura chimiro chenyaya iyi. Anoda
mukadzi nyenga wako uroore kwete kuda
kuteya yapinda yega muchizarira. Zvekuteya iri
mudanga ndezvakare kucharoorwa nemapadza.
Ano makore ndiyani achagarwa nhaka? Ini
wangu mwana haamanikidzwe haasi musugwa
uye haana kuzvarirwa, zvatokwana. Tenda
maziva chokwadi pasina kupotererana."
Vakasimuka ndokutasva bhizautare ravo
vodzoka kwavo kwaChagwiza.
Van Herden akafonera mhuri yekwake ku
Capetown aine mufaro mukuru kwazvo
mushure mekunge anzwa mashoko eropafadzo
ainge abva kuna babamudiki Tonde. Vakazivisa
Frank kuti vainge varonga rwendo rwe
Capetown. Vakaenda kumba kwake kunooneka
nokunosangana sezvainge zvakumbirwa na
Frank pakutanga. Van Herden semukwasha
wechirungu tsika dzechitema aisadziziva
nayewo Frank haana kuita basa nazvo nokuti
akangoti haasati aroora. Zvakawanda
akazoudza Runyararo kuti azopota
achimudzidzisa kusvika pavaizoenda kunoroora.
Vakaonekana havo, Frank akabva asiiwa ari
incharge pabasa despite kuti ndiye aiva tsano
asi kuti ainge agara pabasa kwenguva uye
pahushamwari hwavo nokuziva basa.
Runyararo nemukomana wake vakanorongedza
havo vogadzirira kuzoperekedzwa naiye Frank
musi waitevera ku Kempton Park ku O.R.Tambo
international kunobata ndege vonanga
Capetown. Hama dza Van Herden dzainge
dzanonokerwa kuzoona muroora. Hope kuna
Runyararo dzakaramba kubata achifunga
kukwira ndege kaizove kekutanga muupenyu
hwake.......

...
Jorum zvakabuda akaerekana amira pamberi
pa Ruva na Dr kumba kwavo zvaka..

End of chapter 17
*"NDAIMUDA"*

Story by Oxey
0788491505

*Chapter 18*

Mufaro nemadzibabamudiki ake vakasara


vogara vega dare mushure mekunge
babamudiki Tonde vaenda. "Ini vana baba iyi
nyaya yevanhu vekwa Chirasha iyi haindiitire
mushe. Runyararo mukadzi wemumusha muno.
Zvekuti nhasi nokuti Romeo zvaafa voda kuita
business nemwana wavo isu tongoti ese
machena ka? Aiwa bodo hatingade
kushandiswa nevanhu vakadya pfuma yedu
tisina chatakawana. Dai akange atipa mwana
taiti senge nani. Zvino hapana hapana vava
kutoda kuroodza mwana wavo kumwe futi?
Ngatiendesei nyaya iyi kudare. Dai isu tirisu
takamusunungura tikati zvawafirwa hako kana
wawana anokuda roorwa zvainzwikwa. Manje
ivo vakatora mukadzi wedu kwava
kumuyambutsa pasina nhaurirano kuti
vamutsvagire murume ka. Nhasi voda kuita
sekuti isu hatinzwisise. No hazviiti. Nyaya
ngaiende kwa vaShe iyi." Akapopota Mufaro
nokuti iye pachake kubva musi werufu aingoti
mumoyo make ndini ndotoita take over sezvo
aiva iye aitevera na Romeo. Babamudiki
Ranganai vakabva vagutsurira semunhu aisaziva
paiva nepfungwa dza Mufaro, vaingoti kuda
airwira nhau yepfuma sezvo Rue ainge aroorwa
chaizvo.

"Ndinotenderana newe Mufaro. Nyaya


ngaiende kwaShe iyi. Hatingarege pfuma
yemwana wedu ichitsakatika takangoyeva bodo
tsvo ipapo ndinoramba. Handei kwa VaShe
tinopira nyaya iyi. Vanhu vekwa Chirasha
vanofanira kuripa chete." Vakasimuka vonanga
kwaShe kuno mhan'ara nyaya yavo.

Frank akanosiya Rue na Van Herden vopinda


mundege kuenda Capetown iye odzoka hake ku
Bela-Bela (Warmbaths). Runyararo yaiva shasha
yemucheno. Zvinonhuwirira nerwese
rushongedzo rwepaganda rake airuziva chose.
Hembe aigona kusarudza mwana wavenhu
dzainyatsomugara. Vhudzi aichengeta zvekuti
raiita kunge muswe we bhiza. Chimiro aiita
kunge akatsvenenzerewa nehurudza yekuveza
zvokwadi. Zvino zvainge zvonyanyiswa
nokuwanawo kwaainge oita. Runako
rwemukadzi runonyanyowedzerwa nekugezaka
nekuchena. Runyararo ainge oita sengirozi
kuvaima zvomene. Vasati vaenda rwendo
vainge vamboenda ku Pretoria ku Mainlyn Mall
uko vakanotenga zvese zvavaida zvemucheno.
Ma bangles nema neckless , Herden akatenga
shonga munwe akaiviga nokuti aida kunoita
official engagement pamberi pehama dzake.
Herden ainge aita izvi kuti hama dzake dzisaziva
nechokushora pa mukadzi waaidisisa uyu sezvo
aiva weganda dema. Yakasimuka mango
airlines kubva pa OR Tambo yonanga ku
Capetown. Ainge atofonera vekumba kwake
kuti ainge arimunzira kuuya nemuenzi saka
vamumirire pa airport. Vaviri vaifara
nokuyemerana zvavo mundege zvaiyemurwa
nokusvota vaoni. Vachisvika ku airport
vakawana hanzvadzi ya Herden yainzi
Charmaine yakavamirira nemotikari. Herden
paakangoti ba akanyemwerera zvake ndoku
tsvoda mudiwa wake omubata ruoko rumwe
ruchikweva ka bag kavaiva nako kehembe
vonanga paiva na Charmaine. Charmaine
akashamisika kuona hanzvadzi yake yakabata
ruoko rwemukadzi mutema achiuya paaiva
sezvo ainge asina kuziva kuti muenzi aizova ani.
Chaakaona nokugona kunzwisisa ndechekuti
vaviri ava vaiva hangaiwa dzaiva murudo.
Akangoyeva hake vachiuya. Runyararo
Afrikaans yainge yava kutanga kutambawo
zvishoma parurimi semunhu aisanonoka kubata
hake. Vachisvika Herden na Charmaine
vakamhoresana havo ndokuzo mhoresana
Runyararo na Charmaine ," Hu gandeit siester?"
Akatandavadza ruoko kumhoresa Charmaine.
"Goet en jou." Vakapedza havo ndokupinda
mumotikari voenda kumba.

Babamudiki Ranga na Mufaro vakasimuka


vonanga kwaShe nenyaya yavo. "Pamuzinda
wamambo, varidzi vedunhu, takutsikaiwo
changamire." Vaiombera vachisvika pa mambo.
"Zvamunoona tauyawo pano kudai mambo
tauya nenyaya yekuvakarahwa vedu uko.
Sekuziva kwenyu takawirwa nedambudziko re
rufu rwa Romeo, zvino vekwana Runyararo
vakatumira munyai mazuva ari pedyo awa
kuzotiudza kuti Runyararo afunga kuroorwa
nemumwe murume. Takabvunza kuti sei nokuti
isu hatina kumusunungura uye hatisati taita
sarudzo kuti tomugarisa nhaka here kana kuti
tomusunungura? Zvikanzi chero maziva nokuti
mwana wedu haasi iye akauraya mwana wenyu
uye haasi wekuzvarirwa saka naizvozvo ane
kodzero yekutsvaga angamuroora kana ada.
Tikabvunza nezve chivanhu chedu, tsika
nemagariro zvikanzi wedu mwana haagarwe
nhaka uye dai ari wedu akafa maizotenda here
kumanikidzwa kumutsiswa mapfihwa
musingadi? Saka isu takagara semhuri tikaona
kuti nyaya yakadai inoda imi saShe
mupindirewo, ndizvo zvatiunza pano."
Ndibabamudiki Ranganai vaitaura
vakazvininipisa pamberi paShe.
"Nyaya yenyu ndinoihwa chose asi
handingatongi dare ndiri ndoga uye pasina
vacho vamunopomera mhaka kuti vadavire
pachavo. Ndichatuma jinda rangu Rameki
anovasunga vauye pano tizobwereketa nyaya
yenyu. Asizve muzive kuti muno nekwa Gondo
mitunhu miviri yakasiyana iyi saka mari
yemupurisa inopetwa kaviri zvichireva kuti
mobvisa iri $20. Kana madaro mozouya kudare
nemusi we Svondo mangwanani vanhu vese
vachaziviswa." Vakabvisa $20 iye ndokupa ku
jinda raShe Rameki anova ndiye aizoenda ne
shoko kwa Chirasha kwa babamudiki Tonde.

Zvakasvika Herden, Runyararo na Charmaine


vakawana mhuri yavo yese (baba na mai)iripo
zvayo ichiona movie mu sitting room. Baba na
mai va Herden vakashamisika kuona ngirozi
yeruvara rutema ichipinda yakabatana ruoko
nemwanakomana wavo. Herden pachake
haana kunge ambofungira kuti mhuri yekwake
yaizo mutendera achiroora munhu mutema
nokuti kukura kwake pese paaiedza kuvaka
ushamwari nevanhu vatema zvaisvota vabereki
vake. Ainge angozviitiswa nerudo chete uye
ainge ayemura zvaakaona paakange aenda
kwana Runyararo akafarira tsika nemagariro
acho. Asika Runyararo akange akasiyana
nevamwe vanhu. Uyu munhu ainge akaumbwa
veduwe. Iye na Miriro mukadzi wehanzvadzi
yake vaiita kunge zvidhina zveforoma imwe
chete. Paive nesvusvura ndadya modzi
dzechingwa pavana ivavo. Vabereki vakazviona
kuti rudo ndirwo rwaiva pakati pevaviri ava.
Vakangoshama vakatarisana ne mwana wavo
iye ndokunyemwerera ndokutsvoda Runyararo
wake pahuma ndokuti,"Babes! These are my
parents, Mom and dady. Mom and daddy! This
is Rue my soulmate. I hope you will understand
why l chose her of all the people. She took my
heart. I love her and she really loves me."
Vakabva vagara pasi. Vakamhoresana havo.
Charmaine ainge ava bishi kugadzirira vaenzi
chikafu. Vabereki va Herden vakazviona kuti
Runyararo ainge ariiye chete ainge akwanisa
kufadza mwana wavo uye kuvasanganisa
zvakare nokuti painge pava nenguva kubva
zvaakabva ku Capetown vachinetsana nekuda
kwe ex wife yake akange atovaudza kuti
haaizodzoka zvakare pamba pavo. Vakaona
runako rwaiva pachiso nechimiro cha Rue
vakasazozvitarisa kuti aiva mutema. Vakagara
zvavo ndokutanga kuzivisana vachiudzana
nenhoroondo dzeupenyu vakafara kwazvo
pamwe chete. Vakazobuda semhuri voenda ku
dinner manheru ku restaurant yavaifarira.
Runyararo akafadzwa nerudo nerusununguko
rwaiva nevabereki vemudiwa wake. Haana
kunge aziva kuti Herden ainge achizoda ku
proposer kepiri pambiri pe mhuri. Ainge
angotenga kashonga munwe akasamutaridza.
Asi chakamushamisa ndechekuti yainge
yatengwa riinhi uye sei asina kuiona. Vakazoti
vadya nekunwa vachifara zvavo ndipo
paakaona mukomana wake ogwadama zvakare
ndokuti,"Runyararo my world's number one!
Will you make me the happiest man in this
planet and marry me?" Rue akarohwa nehana
akashaya kuti zvairevei nokuti ainge
ambobvuma pakutanga. Akangosimuka
ndokubata muromo ndokuzoti,"Yes my King! I
will be your queen." Pakafarwa zvekuti vanhu
vaiva kumamwe matafura vakangocheuka
ndokutarisa zvaiitika. Vakange vonakidzwawo
nekuyevedzwa nomufaro uyu. Vaviri
vakatsvodana havo vachifara kwazvo zvakaitisa
kuti muridzi we restaurant aridze kambo ka
Lucky Dube Romeo and Juliet.....

End of chapter 18
*"NDAIMUDA"*

Story by Oxey
0788491505

*Chapter 19*

Rameki zvaakatumwa kwa Gondo kunosunga


mhuri yekwa Chirasha yaana Frank haana
kutambisa nguva zvake akaenda sekuraira
kwaShe. Bamudiki Tonde munhu aisafarira
kuita gumbomutsvairo asi kutoti vaiwanikwa
pamba pavo nguva zhinji vachineka neka kuona
panenge pachida gadziriso dzavo sezvo vaigara
havo vega. Mukadzi wavo ainge akaenda
mushure mekumuwanikidza ane chikomba
akabva aenda nevana, havana kuzomboita
hanya kumutevera kana kutsvaga mumwe
wekuroora. Rameki asvitsa hake shoko
sekutumwa kwaainge aitwa naShe akabva
adzoka hake. Babamudiki Tonde vakanzwa
hasha kwazvo vakaona musi wedare uchivaitira
kure kwazvo. Vakasimuka vonanga kwamai Rue
kunovaudza shoko iri rainge rauya na Rameki.
Vakataura kwazvo vachionesana na mai
Runyararo ndokuzoti,"Zvino kana vakajaidzwa
zvisina basa vanonondiona chete.
Ndingatombotya mupurisa we santana kwete
uyu wetsoka uyu. Ndinoda kunovataridza kuti
ndini ani. Ndakavaudza kuti kanavachida
zvipfuma zvavo ngavauye vatore. Saka kudare
vanofunga ndiko kune moyo wa Runyararo?
Kana kunyara chokwadi munhu kugara akateya
kare iri mudanga. Asi kanhi ndivo vakatuma
munhu kuzouraya mwana wavo kuti vawane
kugara nhaka neukopokopo? Zvino
ndinonozviutaura kwaShe izvozvo. Rudo
harutengeke uye moyo haudzurike se sora.
Kana vachifunga kuti ndingatendera zvakadaro
ngavakanganwe zvavo. Rudo moyo uye moyo
muti unomera paunoda. Dai miti yaiudzirwa
pekumera pane yaizotsemura dzimba here
kana kuvhara migwagwa? Vachandiona chete."
Mai Runyararo vainge vangoti zi semunhu
wechikadzi vaisada zvavo kupingiridza
hurongwa hwe murunyana wavo.
Vakazoti,"Saka hanzi tiuye riinhi kudare kwacho
nhai babamudiki?" Vaibvunza zvavo nenzwi
rakapfava. "Hanzi nemusi we Svondo. Asika imi
hamungaende maiguru. Ndinoenda ndoga
nebhasikoro, ndinoda kuvataridza kuti ndiri ani.
Ndinozi Tonderai Chirasha Zimbovora re bveni
ini! Vakajaidzwa maningi mhani vanhu avo.
Mwana wangu haana kupara mhaka kuda
kwaakanga akaita Romeo kana kuita seainge
akaripiswa ngozi? Haasi mukadzi wengozi
anganzi haaende ka uyu. Vanonyepa avo mirai
muone henyu." Mbovha dzakapupira se gate
remupeta wavirisa dziri hasha. Kuwana
mhenderekedzo dzemiromo dzachena sepwere
yanzwa nenzara kuri kugumbuka. Iyo huma
yainge yaunyana kunge hando yatunga muti.

Dr Tsapi zvavakaona Jorum havana kufadzwa


nechiitiko ichi asi vakaona kuti ainge ari munhu
ari kunetseka vakamugadzika pasi
ndokumubaya jekiseni riya rinorarisa semunhu
hake aigara ane first aid kit pese paari
nezvimwe zvakangodaro. Vakachitanga
kutsvaka hama dzaive padyo dza Jorum
ndokuonesana vakanzwa kuti pfuma yekuripa
ichiri kwamambo inofanira kuenda kwana
Romeo kuti aiite zvakanaka uye iye pachake
aingoda mwana wake nekugaro pika kuna Ruva
achiti "uchandiona."
Dr Tsapi vakazonzwa nyaya ya mufaro
yekunetsa izvo hazvinazve kuvadza nekuti ivo
kukura kwavo vese na Romeo vachitamba havo
kuzosvika mukufa havana kumboona Romeo ari
munhu aigona kunzi aidzvanyirira mumwe
munhu bodo. Chavaiziva ndechekuti paakafa
aidisa kuona Runyararo achifara saka naizvozvo
vaiziva kuti iyi nyaya yaizotadzisa mweya wake
kuwana zororo rakanaka nokuti painge
pavambwa ruvengo uye kushungurudzwa kwa
Runyararo. Asi semutorwa hapana
zvavaikwanisa kuita nokuti kuna Romeo vaive
shamwari chete kwete hama. Vakangoti
mumoyo mavo,"Nyaya dzedzinza dzine vene
iwewo mutorwa chako kuona chete muromo
nyaradza."

Mai Frank vakatadza kuzvichengeta mumoyo


mavo kuti vasaudza Frank nezvenyaya iyi. Kuna
Runyararo vakaedza chose kuti vasamuudza
nokuti vaisada kumufurutsira mufaro wake
sezvo ainge aenda kunoona mhuri yemumwe
wake. Frank wo paakaudzwa nyaya iyi akafunga
mashoko aainge audza Runyararo panguva
dzavaitaura nezvekudanana kwake na Herden.
Akayeuka achimubvunza kuti ko kana vekwaana
Romeo vakazoda mukadzi wavo paizoitwasei
nekuti iye aingewo awana mumwe aimuda
chose? Pakarepo Frank akanhonga foni yake
obaya baya ndokuisa zvake panzeve otaura
nehanzvadzi yake.

"Rue shamwari dai wagona wauya kuno


nokukasika paita nyaya. Kumusha hakuna
kumira zvakanaka nekuda kwako ufunge.
Varume vako vakasungisa babamudiki Tonderai
pamusoro pekuroorwa kwako." Rue akaita
kudedera nehasha, "Ko imi mazviwanepi nhai
mukoma Frank nokuti ivo babamudiki havana
kumbondiudza nyaya yakadaro?'" Akabvunza
achishamisika nokuti aifunga kuti pamwe
hanzvadzi yake yaizvigadzirira nyaya,
"Ndangotokunyeurirawo nyaya iyi zvisiri
pamutemo. Amai chaivo vati ndisakuudza. Asi
kutaura idi ini hangu ndatadza kuzvichengeta
nokuti zvandirwadza uye inyaya
yandakambokuudza uchitanga kundiudza nezva
Herden wako. Kutaura kudai babamudiki Tonde
varikuenda kudare nemusi we Svondo renyaya
yako." Nehasha Runyararo aka dropper foni
ndokuudza mumwe wake zvaiitika. Chiriporipo
akakumbira mumwe wake kuti amhanye ku
Zimbabwe kunogadzirisa nyaya isati yaenderera
senhembe yechembere.
"Babes! Can you please let me go and fix this
whole issue before its too late? You may follow
any time but i must be there as soon as I can
before the matter goes out of hand." Herden
aisaita nharo pane zvaaiudzwa kana
kukumbirwa ne mumwe wake. Akabvumidza
Runya kuti afanoenda, kuvabereki akavaudza
kuti pane zvaifanira kunogadziriswa na Rue
family issues asi haana kudoma kuti zvaiva zvii.
Runyararo akaperekedzwa ku airport na Van
Herden ne motikari yababa vake ndokusiiwa
ava mundege yaienda ku Jo'burg kuti azo bata
yekuenda ku Zimbabwe. Vakaona kuti zve
motikari kana bhazi zvaizomunonokera.
Akasvika mu Harare pasina nenguva ndokubata
mabhazi aienda Gutu. Musi weMugovera
akarara ava kumba omirira kuenda ku dare na
babamudiki vake akakumbira amai vakewo kuti
vavepo vagozonzwa zvaiva pamoyo pake
zvaaizonotaura kudare.

Kusvika kwaakaita kwakashamisa amai vake


kunyanya babamudiki Tonde avo vakanetseka
kugutsikana kuti amai vake vainge vasina
kutaura chinhu kwaari. Vakadaidza mai
Runyararo parutivi vobvunza,"Ko nhai maiguru
mazozvifambisa sei zvekare? Inga takawirirana
wani kuti mwana hapana chaanofanira
kuudzwa kusvika nyaya yapera? Zvino azouya
sei kuno? Aziva sei nezvedare ramangwana iri?
Munoona kuti akatsamwa sei mwana?
Matofurutsa mufaro wemwana zvinova zvinhu
zvandanga ndisingade zvachose. Mazviitirei
nhai?" Babamudiki Tonde was so disappointed
zvekuti dai mai Rue vaiva mwana mudoko
vaidai vakarohwa musi uyu. "Bodo bmunini
vangu handina kumbogara ndataura naye
mwana ini. Munhu wandakaudza ndi Frank,
ndinovimba ndiye asvitsa mashoko kunzeve dza
Runyararo." Vakadaira vachizvininipisa kwazvo.
"Paposheka apa maiguru. Hamaifanira kuudza
Frank nokuti munoziva hana yake panyaya
dzakadai. Haazoinyarara nekuti anoda
hanzvadzi yake maningi. Ngatichingo namatai
kuti hazvina kukanganisa wirirano yemwana
nemurume achazomuroora."
Vakabva havo vakaparadzana babamudiki
Tonde voenda kumba kwavo sezvo kwainge
kwadoka vogadzirira kuzoenda kudare
mangwana. Vakaoneka Runyararo ndokuenda
havo. Kuchiedza vakazonomirira makombi
pamugwagwa voenda kudare... …

End of chapter 19

*NDAIMUDA*

Story by Oxey
0788491505
*Chapter 20*

Hapana akada kusara kudare musi we Svondo.


Kwaiita kunge kumabiko kana kumuchato
zvekuti kana chembere neharahwa dzine
zvifesani mutsoka dzisingachagone kufamba
dzakamuka runyanhiriri kufanotungamira.
Munhu wese aida kunzwa kuti zvainonzii
kudare ikoko. Vamwe vaingoti Runyararo
haanga pabudi vamwewo ndivo vaiti ane
kodzero dzekuita move on sezvo ainge asina
chekumirira, vamwewo vaiti moyo muti siyai
Rue aite zvinoda moyo wake.
Mambo vakasvika vakapfeka havo bhachi ravo
rembada uku mumusoro muine ngundu
yeminzwa yenungu nemanhenga ehanga
neechapungu. Jinda ravo Rameki ainge ari
parutivi pe chigaro chamambo ndokuti
kuvanhu,"Runyararo kwamuri mese mambo
vachigara pasi." Vanhu vakanyarara
ndokutsikitsira pasi mambo vachigara pachituro
chavo chainge chakashongwa zvaiyevedza.
Chainge chakawaridzwa jira reruvara
rwembada riine mufananidzo wedehwe
rembada. Kumagokora echigaro uku kwainge
kuine ndarama dzaipenya makumbo acho
zvekare aive endarama. Chigaro ichi vainge
vachipihwa nehurumende mushure mekunge
dunhu ravo raita mbiri yekugadzikana uye
nekugona kutonga matare. Mumutsipa vainge
vakaremberedza zinyembe rendarama riye
rinenge mwedzi ndofunga vakawanda
munoriziva. Tsvimbo yainge yakabatwa zvayo
yainge yakavezwa zveunyanzvi zviya.

Dr Tsapi na Ruva ndevamwe vevanhu vaivapo


padare. Vaidisa kunzwa Runya achizvidairira
uye kuzovawo zvapupu mune rimwe gore.
Chiremba vairwadziwa moyo nekuti chavaida
kuona Runyararo achifara, nokudaro vakauya
ne lawyer ra Romeo kuzopedza nyaya.
Pavakasvika padare risati ratanga
vakamhoresana zvavo na Runya
vakamushuvira rombo rakanaka nekukunda
munyaya yake.

"Mangwananii dare nevateereri vese varipano.


Tisati tatanga dare ndiyaniwo angagona kuti
tungamirira nemunamato kuti zvatichatura
zvive zvine udzamu?" Rameki akakumbira
munamato. Runyararo akabva ati kwanyanu
kusimuka pakarepo ndokuti, "Ngatitsinzinei
titende nokukumbira kumusiki." Mufaro
akashamisika ndokukwenya babamudiki vake
oti, "Munoona kuti imaths idzi! Kutsvaga
kunzwirwa tsitsi na mambo kuti anzi munhu
kwaye, sei pakati pechaunga asarudza iye
kunamata?" Babamudiki Ranganai vakangoita
ka sign kekunyaradza Mufaro. Runyararo
akaenderera mberi otangidza munamato,
"Muzita renyu baba nero mwanankomana
neromweya mutsvene baba tinokutendai
mangwanani ano nerudo rwenyu iyemi
musikavanhu makatisika mukatipa moyo
yekuziva nekusarudza zvatinoda zvakatinakira
nekuramba zvatisingade zvakatishatira. Ndinoti
baba dai machidurura nyasha dzenyu,
tsitsi,ngoni nenzwisiso pamwe chete
neruwadzano padare rino munhu nemunhu
azive kodzero dzake nekukoshesa kodzero
dzevamwe vanhu pasashanda kudzvanyirirana
sekutemeswa ugariri nokuda kweurombo kana
kuitana musengabere nekuti rudo harusengwe
nepfudzi sebadza asi nomoyo. Zvino dai
machiunza chiedza mumeso meavo vasingaone
zvinodiwa na nhingi nekuti iye nhingi wacho
wavari kuomesera paupenyu iye anotori
nehurongwa hwake hweramangwana rakajeka
nemumwewo munhu zvisingashandurwe
nemunhu wenyama. Ndinonamata baba dai
zvikwiri neruvengo zvashaya nzvimbo padare
rino. Itai kuti munhu agone kusarudza waanoda
pakurarama kwete kuraramira nhaka nekuteya
iri mudanga. Chitungamirai vachatonga dare
rino baba vasarudze dzvene vasiye rakashata,
vanotongwa vacho varerutsei moyo vagone
kugamuchira chokwadi chero chikarwadza asi
vazive kuti chokwadi ndicho choga
chinosunungura munhu. Zita renyu rikudzwe
nere mwanakomana neremweya mutsvene
tinoti Ebenezer hallelujah!"
Vanhu vese vakadaira 'Amen' kunze kwa
Mufaro nababamudiki vake Ranganai.
Vakangotarisana ndokutarisa Runya nemeso
matsvuku tsvuku achigara hake pasi.

"Zvakanakai VaMancube. Tinotenda


munyengetero uneudzamu zvakadai tichivimba
kuti Mwari vachatizarurira sekukumbira
kwamaita. Nyaya iri pano inyaya yakauya na
Mufaro na babamudiki vake Rangani
vachizosungisa mhuri yenyu pamusoro pekuda
kuroodza mukadzi wavo kune imwe imba.
Handiti ndizvo Ranganai?" Babamudiki
Ranganai vakasimuka ndokuti,"Hongu
changamire." Mambo vakaenderera mberi
voti,"Zvakanakai. Ndinoda kuziva kuti nyaya
yenyu imi vokwa Taringo. Munoda pfuma
yenyu here kana kuti muri kuti hamudi kuti
Runyararo aroorwe nemumwe munhu asiri
wekwenyu?"

"Changamire isu mukadzi wedu hatina


kumuramba kana kumusunungura mushure
mekunge Romeo atisiya. Asi chakatishamisa
kuona munyai ouya kuzotiudza kuti Runyararo
ainge awana munhu anoda kumuroora iye
achiri nhengo yemusha wedu zvakare kusiri
kare tabva kumubvisira pfuma kumhuri yekwa
mukanya iyi iri pano. Zvino isu semhuri takaona
zvakakodzera kuti tisangane pano padare
mutienzanisire mashoko nekuti tega mashoko
atainge tava kuposherana ainge asisaita."
Vakabva vambomira kutaura babamudiki
Ranganai. Mambo vakaenderera mberi
nemibvunzo. "Pane here pamainge
matsidzirana kuti Runyararo aizogara mumusha
menyu kusvika mukufa zvisinei nechii chaigona
kuzoitika mukurarama? Nokuti mazuva ano
misha mizhinji hatichaoni zvenhaka zvichiitwa.
Ngatipeiwo mukana kune vekwa Mukanya
(paidaidzwa mitupo manje) tihwe pane
pfungwa dzavo. Simukai Mukanya mutipewo
divi renyaya yenyu kana kuti kusimuke
Runyararo pachake ataure mozosimukawo
baba vacho."
Runyararo akabva asimuka ndokutyora muzura.
Vanhu vese vakabva vadzikama vachida kunzwa
zvaaizotaura. "Pamusori dare, pamusoroi hama
dzese dzadiwa nevese vazvipa nguva yekuuya
pano. Ini Runyararo ndakadanana na Romeo
zvaibva kutsi kwemoyo wangu kwete rudo
rwekutumwa kana kumanikidzwa. Munhu
akandipfimba ndikada ndi Romeo hapana
waakatuma. Romeo aindida neniwo ndaimuda
chose. Hapana musi waakambondiudza
mashoko akaipa kana kunditsvinyira. Shamwari
yake Dr Tsapi varipo pano vangapupura kana
pane musi wavakambonzwa ndichichema kuti
ndanetsana neshamwari yavo. Musi wafa
Romeo taiva pamuchato wavo Dr Tsapi.
Kudanana kwangu kwese na Romeo hapana
paakambotaura zvekuti ini kana akange afa
ndichava chitsiga chichagarira kukwesherwa ne
dhongi ripi neripi rabva kwarabva rikavaviwa
rozvikwenyerapo, bodo. Ini handina kuzvarirwa
kana kuripa ngozi ku mhuri yekwa Taringo asi
ndaidanana nemunhu mumwe chete mumhuri
kwete mhuri yese. Munhu akauraya Romeo
handi akaripa zvose zvaidiwa and ndodaira kuti
ari muusungwa. Akaenderera mberi oti. Asi
kana kudanana na Romeo iri mhaka kana kuti
kuriko kwava kundipa mhosva yekufa kwake
ndivharirei mutirongo pane kundiomesera
upenyu zvakadai." Hasha dzakanga dzagara
moyo wake zvekuti misodzi yakatanga kuyerera.
"Ndinoda kuziva kuti dare rino nderei chaizvo?
Ndauya here kuzomanikidzwa kuroorwa kana
kuti kuzodambura muchato wangu
nemushakabvu? Kana iri yekundigara nhaka
kanganwai henyu." Akabva agara pasi. Mambo
havana kudaira chinhu nekuti moyo wavo
wainge wakateerera chete nekunzvera
mashoko a Runyararo.

Babamudiki Tonde vakasimuka ndokutanga


nokugadzira inzwi. Vainge vakavharwa guro
kuro nehasha zvekusakwanisa kutaura, asi
nekuti vaitofanira vakaedza kudzikama
zvishomanana. "Mangwananii mambo
nemachinda ese newese aripano. Ini handina
zvakawanda zvekutaura asi kuti mambo
ndinokumbira mutibatsire kugura ukama uhu
nevanhu vekwa Taringo pasati paita
kuteurirana ropa kana kumutsirana mamhepo
dzisakarurama. Wangu mwana haasisiri
mumaoko enyu vanhu vekwa Taringo
munopahwa? Handichadizve kuhwa
panotaurwa zita renyu kana kamwe koga.
Ndakakutumirai munyai kuti tiite zvinhu
negwara asi makaona sendisina kukwana
kanamunhu asina kidzidza nhai? Zvino nhasi
ndinoda muhwisise chinhu chimwe chete.
Hatichina ukama nemi kusvika nokusingaperi.
Mambo ndaikumbira mutume Jinda renyu
riende nesu nevanhu ava nemunyai vatore
twavo tiparadzane murugare." Mambo
vakabva vapindira vonzwa kuti babamudiki
Tonde vainge vokundwa nehasha.

"Hatisi pahondo Mukanya dzikamisai hana


yenyu. Tiri padare kuenzanisa
mashoko."Pavakapedza kutaura vakaona
mumwe murume ainge auya na Dr Tsapi
avakusimuka akabata ka bag kanenge ka brief
case. Murume uyu haana kunge ambotaura
nemunhu uye hapana wakagona kumuziva
kunze kwevainge vauya naye. Akanga ari
Lawyer ra Romeo. Zita rake ainzi Trevor.
Mapfekere aainge akaita aiva nechiremera
zvekuti kana mambo vakakasika kumupa
mukana wekutaura. "Makadi zvenyu mambo,
makurukota, machinda nemimese muripano?
Ini zita rangu ndinonzi Trevor Mazivofa. Ndiri
lawyer uye ndaishandidzana na Romeo. Kuuya
kwandaita pano ndakafonerwa ne best friend
yake iyo igere apo Dr Tsapi vanova ndivo
vaichata musi wakapfurwa my client Romeo.
Handina kuuya kuzomiririra nyaya kutongwa
kwayo kunge kudare rehurumende asi ndaunza
wiri ra Romeo rinova iro richakubatsirai
kutonga nyaya iyi mambo." Mambo havana
kunge vambotaura zvavo vaingoteerera chete.
"Tinokutambirai vemutemo. Tiravirei tinzwe
zviri mumagwaro." Vanhu vese vakabva
vanyanyodzikama zvino. Trevor akatanga
kuverenga wiri riya,"Kana ndikafa mushure
mekuroorana na Runyararo, pfuma yangu
haigohwi asi ichava yake nevana, kana tisatiwo
tava nevana ichava yake sezvo baba namai
vangu vakashaya. Handidi kuti kana ndafa
pawane anoti anoda kugara mukadzi wangu
nhaka asi kuti mukadzi wangu ndichada
asununguke kutsvaga angafadza moyo wake
nokuti mufaro ndicho chinhu chandinomu
shuvira. Hembe dzangu goverai mhuri asi mari
siirai mukadzi wangu ne motikari nemba iri ku
Harare ndezvake." Trevor akabva avhara book
rake ogara pasi. Vanhu vakapererwa vakashaya
remuromo. Kana ari Mufaro, mufaro wese
wakapera kuti hwa kusara chiso chaibva
nehasha. Aingon'un'una achitaura na
babamudiki vake kuti painge paitwa chitsotsi.
Mambo vakazonyaradza vanhu
ndokuti,"Zvakanakai! Zvaverengwa tose
tazvinzwa. Vemhuri yekwa Taringo munoziva ini
mutemo wangu ndotonga kamwe chete.
Handichada kunzwa kuti mazoteverera vekwa
vana Mukanya ava muchinonetsa ikoko kana
kunzi mava kutsvagirana uroyi. Kungonzwa
zvakadaro munotevera vekwana Jorum. Svikiro
redu ravepo pfuma yakaripiwa tichagara pasi
younzwa zvacheneswa." vasati vasimuka Jorum
akabva abudikira ndokumira pamberi pedare
akatanga nekukumbira ruregerero
ndokuchiikumbirawo mambo kuti mwana wake
anomuda poitwa sei? Pakaitwa makakatwana
vamwe vachiti munhu uyu mupengo asi svikiro
rakati nyaya izotaurwa mumwe musi vakabva
vamudzikamisa.

Dr Tsapi, Trevor na Runyararo vakambundirana


babamudiki Tondewo vaiita kupembera
vachisveveredza vokwana Mufaro. Vanhu
vakasimuka ndokupararira havo vamwe
vakaenda vachifara vazhinji asi mhuri yekwa
Taringo yainge yakasuwa kwazvo kana Ruva
ainge asina mufaro asi aisazvitaridza. Taringo
family kutsamwa kwaive kweku rasikirwa na
Runyararo, motikari , b …
End of chapter 20
*NDAIMUDA*

Story by Oxey
0788491505

*Chapter 21*
Final
Runyararo zvaakaona nyaya dzapera dzekudare
haana kuzomboda kumira. Akaoneka hama
dzake ava nemufaro kuti achidzokera
vanoronga zveroora pamwe ne muchato ne
husband to be yake Herden. Mai vake
vakamurongedzera twese twavaiziva
twaaifarira kusanganisira ne nzungu
dzakabikwa dzikaomeswa ne nyii kuti
avigirewo vana Frank pamwe ne mudiwa wake.
Ainge asisakwanisi kuramba achamira nekuti
ndangariro dzerudo dzainge dzomusunda apa
achida zvakare kunotsanangurira mumwe wake
nyaya yainge yaitika kudare achimuudza kuti
vainge zvino vasununguka panezvese
zvavaizoronga kuita neupenyu hwavo.
Akafonera Dr Tsapi nemudzimai wavo
ovaoneka hake akavaudza kuti aizovatumira
invitation letter ku muchato.
Mufaro wakazara kumhuri zvekuti paaita
kunge pazvarwa mwana mutsva. Babamudiki
Tonderai pese pavaifamba kungava
kumisangano kana kundari vaingozvipembedza
nekudada nebudiriro yakaitwa na Runyararo
kudare. Runyararo akasiya avavimbisa kuti
paaidzoka aizonotora motikari ya Romeo ku
Harare kwayainge iri ovapa imba aizotengesa.
Musi wekudzokera akaenda na babamudiki
Tonde akanosiya avapa mari yaakatora ku bank
mumasvingo kuti vafano gadzirisa musha
uwedzere runako kudarika zvawaiva uye
negadziriro dzemuchato dzaizouya. Aidawo kuti
vabereki va Herden vasazowana chekushora. Ko
ainge achadziregerei mari hake idzo dzaiva
muzita rake? Handiti wiri rakange razvitaura
zvese?
Runyararo aidiwa na Romeo zvekuti rufu
zvarwo rwakangoitawo shanje asi zvaisafanira
kudaro. Akazoparadzana zvake nababamudiki
onanga Harare kunobata ndege odzokera ku
South Africa. Akazivisa Frank kuti aizodarika
neko achimuona nemhuri. Paakasvika ku
Harare akangomira shoma ndege ichibva
yasimuka zvayo yonanga ku chamhembe kwe
Africa. Akasvikirana na Frank ku Kempton Park
vachibva vadzoka vese ku Bela-Bela kumba kwa
Frank. Akarara chete ndokufuma operekedzwa
ku airport kuti achidzokera kumurume ku
Capetown kunopedza urongwa hwe roora
nemuchato. Paakasvika ku Capetown akawana
mhuri yakamumirira nemufaro. Zvokwadi
zvemichato nekuroorwa dzimwe nguva unoona
kuti ndezveropa.
Mai Frank vaingova nevana vaviri chete Frank
na Runyararo uye hapana aitarisira zvakaipa
kana zviuya kumhuri iyi mana rese sezvo
vaisambova neupenyu hwaishamisira. Asika
kune arikudenga iye Mwari anosimudza
marombe. Rue zvaakafirwa mana rakafara
richiti zvainge zvamhova semoto wemapepa
nokuti vaisada kuona budiriro kumhuri iyi.

Babamudiki Tonde vakaita rudo rwakabhowa


vakawanda kusvika pakutanga kufamba
vachitaura taura kuti vaidanana namai Frank.
Ko zvaigova nebasa rei ivo vaiva nhaka? Chete
ivo zvavo havana kunge vazvifunga nguva yese
nekuti vaiona sevanenge vadzvanyirira kodzero
dzemukadzi wamukoma chinova chinhu
chavaisada muupenyu.
Mafaro dzimwe nguva anokonzeresa. Mai Frank
vakashaya rutendo rwavaiona ruchiringana
kutenda narwo babamudiki Tonde pazvose
zvavaiitirwa pasina kana chidoko chaitarisirwa
nababamudiki Tonde kubva kwavari vakaona
zvakavanakira kuti vachigara pamwe vachifarira
upenyu hwainge hwaunzwa nevana pamwe
nebudiriro yaiunzwawo na babamudiki Tonde
vari pamwe chete. Havana kuda kumhanya
kumedza nokuti vaida kutanga vaona kana zano
ravo raizofadza babamudiki Tonde. Vakaronga
kuzozviita sechishamiso vatanga vakumbira
mvumo kuvana vavo sekuti vainge vakura
zvekuti vaidawo ruremekedzo. Zviito chete
ndizvo zvakatanga kushanda kukwezva moyo
wababamudiki asi muromo waisataura chinhu.
Dzimwe nguva hazvisi zvese zvatinotarira nguva
zvikamirira patinozvitarisira asi zvimwe zvacho
zvinotitangira mberi kwedu. Mai Frank vainge
vopedza nguva zhinji vari kwa babamudiki
Tonde vachitandara. Nyemwerero yaitaura
yega kuti ndaperera pamuri babamudiki.
Babamudiki vakanzwawo hana kurova vakati
'ko zvino ndorega here mombe dzamukoma
kana dzichada kukamwa?' Vakatanga kupedza
nguva vari vese, vaye vainge vagara vatanga
kutaura vakawana rwiyo rwezuva ne zuva
muupenyu. Ko zvaigovamisa here? Hapana
kuitwa manikidzoka apa asi moyo yakadairana
zvayo ropa nepfungwa zvikatenderana.
Zvaidiwa na mai Frank zvekuzoda kutanga
vakumbira kuvana zvakanonokera ropa revaviri
ava.

Runyararo ne murume wake Herden nemhuri


yese vakasimuka vouya ku Zimbabwe kuzobvisa
roora nekuchata. Hama dzakaunganidzwa
dzese navavakidzani vese kusanganisa
chiremba nemukadzi wake. Frank na Takudzwa
vakadzirova dzavo motokari vonanga
kwazvakarehwa. Vakomana imwe michato
zvenyu ka? Unonyatsoona makomborero kuti
Mwari vanopa nenguva chaiyo. Vanhu vakange
ari mavhu nemarara vakamirira kupemberera.
Chero vavengi nevaroyi vakange varipo
vachipemberera zvavo. Muchato wakaitwa uri
musi wemugovera. Zvipo zvakabviswa vanhu
vachipembera. Vamwe vakazokumbira
dzokororo nekuti zvainge zvaitwa zvainakidza.
Mushure mezuva repiri musi we Svondo Rue
nemurume wake vakazonzi vataurewo zvavaida
vanhu vakateerera vozopararira zvavo.
Runyararo akakumbira murume wake kuti
atange sezvo iye aida kuzovharisa muchato.
Herden akatora microphone ndokumira
pamberi pevanhu otenda rudo rwaakaona
kumhuri yana Runyararo akatsanangura
nemashandiro avo na Frank.
Runyararo akazotora microphone ndokutanga
nokutenda chaunga chose chainge chauya
pamuchato. "Ndinotenda nokufara kwazvo
nokuvapano kwenyu mese hama vadikani.
Ndinopokana nani nani zvake angawanikwa
achiti pane vanondivenga kana kuvenga mhuri
yekwangu pano. Dai maisafara nechiitiko ichi ko
maizouya sei pano? Ndinotenda kwazvo
kubatana kwemusha wese uno. Ndinovimba
munoziva zvakaitika kwandiri munguva
yadarika iyo. Ndakafirwa nemurume waindida
neni ndaimuda chose Romeo Taringo. Asi
Mwari havatirasi hama dzangu musanyeperwa.
Chionai nhasi ndapinda musvitsa yainge
yabvutwa nemuvengi pakutanga Mwari
vaidzora kwandiri. Ndinoda kusimbisa vasikana
vese vechidiki muno kuti kurai munaShe
nokutenda muchinamata muchaona
zvichiendeka." Akapa mharidzo kwazvo yakaita
kuti chero varoyi vafunge kutendeuka musi uyo.
Chikafu chakabikwa hapana akasara nenzara.
Vanhu vese vakadya vakakwana vaitakura
vakatakura voendesa kudzimba hapana
aibvunza.

Muchato wakazoti wapera mai Rue vakadana


vana vavo mumba ndokuvaudza
nezvekuwirirana kwavo nababamudiki Tonderai.
Ko vana vaigotii mushure merudo rwavainge
vapiwa na babamudiki vavo kubva zvakafa baba
vavo? Vakawirirana kuti kana ivo amai
sekutaura kwavainge vaita kuti ndivo vainge
varonga urongwa uhwu kuriiko kuda kwavo
painge pasina kuipa. Babamudiki Tonde
vakadaidzwa vana vakaudzwa zvakare bamudiki
vakateerera Frank na Rue ndokupa vabereki
vavo maropafadzo ehupenyu hwavo hutsva
pamwe chete.

Runyararo akazoti zvese zvaainge apiwa zvive


zva babamudiki na mai vake pamwe chete
sezvo babamudiki vaisava nemukadzi kana vana,
mwana ainge aenda nemukadzi vakazenge
vatevera vakawana asiri wavo.
Chakava chiitiko chakawedzera mufaro
mhemberero ikaitwa chete nemhuri. Chipiri
mangwanani vakafumira kunotora motikari ku
Harare ikauya kumusha kwevabereki. Musi
wechitatu mangwanani mushure mekunge
vazorora musi mumwe after the wedding
vakazooneka vodzokera ku South Africa vese
nana Frank. Babamudiki vakasenga twavo
twese ndokuzogara na maiguru. Mufaro
wakava nemhuri dzese idzi nokusingaperi...
Mufaro uriko mangwanani. Chema madeko asi
uine tariro nokuti mufaro Ndowamangwanani!!!

Nyaya yekuripwa kwa Romeo nemhuri yana


Jorum yakashandwa zvakanaka chose before
kuchata kwa Runyararo, panguva iyi Jorum
akaenda pa dare achinge munhu uya akasutswa
nemashoko aaitaura.
"Mambo makadzinga amai vangu muno
vakaroya ani, havana kuripa here kuuraya
kwandakaita Romeo, aifanira kudzingwa muno
ndini kwete mhuru yangu handizvo here?
Chandoziva ini munhu anodzingirwa uroyi
mudunhu handizvo here?"
Chakava chipata pata vanhu vakuru
vakangotsikitsira Jorum achiita kurudunuka
hake kutaura semupendero wehembe yasakara,
zvakazopedzisira mambo vaona kuti vatume
machinda kunotakura mai va Jorum vovavikira
musha wavo wavakaputsa nekupisa. Jorum
akapupura zvakare kuti mukadzi uyu Ruva
akaroorwa vasina kurambana aida kuripwa,
Ruva akati hapana chaanobudisisa nekuti Jorum
haana kunge abvisa kana kobiri kumba kwavo
asi kumutambisa nhamo pamwe
nekumboramba nhumbu chero hazvo aiiti
ndakamusanganisa asi ini ndaisangana naye
chete kwete na Zivanai hapana pandaizomupa
nhumbu isi yake dai ndaida kupomera munhu
ndakapomera Frank mukomana aindida samare.
Nyaya yakakurukurwa vakazowirirana zvavo
kuti Jorum mwana aisazorambidzwa kuona
paadira asi hazvina kuzoita saizvozvo Jorum
akazowanikwa makuseni eumwe musi akafa
chakamuuraya hapana anoziva....

-Happy end to Runyararo and her new


family.
-Sad to Jorum family.
-Ruva guilty yaimudya zvakanyanya.

Thank you for reading ma fans angu mwaa


Oxey loves you..
THE END

You might also like