Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 6

*Matare Ekuvhura Ushavi or Mhanza*

*Dare remukoka available on audio*

*Dare rekukumbirira kuvhurirwa marimuka*

*Dare Rehupfu or Huchi*

Zvinodiwa:

Mukaka

Hupfu hwemugaiwa

Huchi hwemumhango

Makwati ehunde inogara nyuchi

Basa oil

Mvura yepachisipiti/chitubu

Nhoko dzetsuro yemusango

Dare iri ndere kusimudza ushavi idare rekuvhura marimuka nekukumbirira manake.

Uchasanganisa zvinodiwa zviri pamusoro apo zvese wopota uchigeza wotora huchi hushoma
nemakwati ayo mashoma woisa muoil yako yekuzora zvimwe woisa mumafuta ako aunozora

Padare iri uchange undichireva reva kuti ini ndiri hunde sezvinoita nyuchi dzinobuda muhunde
madzo dzichinotsvag zvekudya dzodzoka pahunde dzogadzira uchi nhasi uno ndiro randave
kukumbira kubva kwamuri imi vadzimu vangu vakachena chete ndakuda kuti muchibuda makananga
mativi mana ose endai kuchamhembe,maodzanyemba,kumavira zuva nekumabuda zuva
monondishavira ndakudawo manake kudawo hupfachu hupfachu mukati meraramo yangu hupenyu
hunotapira sehuchi ndiwo wandakuda ndinoda kuti kumushando kwangu,parimuka rangu,zvinhu
zvose zvifambe pandinovhura muromo wangu ndichitaura nani nani zvake ndinoda kuti mumuromo
mangu mubude mashoko anotapira sehuchi.

Hupenyu hwakachena semukaka ndiwo wandave kuda muzuva ranhasi benya penya ndiro randinoda
kubva kwamuri vana sorojena vangu rima jambwa munyama zvinoteverana neni zvinosimudzwa
nevapenyu kana vakafa vangave vedzinza kana vatorwa angave mukadzi kana murume nhasi uno
ndakuti nekushamba kwandiri kuita uku rima rose ngarisuduruke ndisare ndakati mbembe kuchena
semukaka uyu.

Nhasi uno ndakudawo kukosha sehupfu uyu apana asingakoshese upfu bvisai kuvengwa kwese
muraramo yangu ndaramba kurondwa newakaipa kubva nhasi pese pandasvika ndavandikoshesewo
sehupfu uhwu.

Pfuma inotubuka semvura yepachitubu ndiyo yandave kuda pfuma isingapwe semvura yechisipiti
ndiyo yandinochemera kubva kwamuri vari kumhepo inga wani imi mairarama hupenyu
hwakanaka.wani muine pfuma yenyu yaidadisa ko ini pwere yenyu ndoita serombe sei imi muripo
ndaramba hupenyu hwenhamo ndaramba mhepo dzinouya neurombe muraramo yangu simukai
zvine mutsindo mupinde mukati memasango mundishavire nhoro nenyati ndinoda kudya ndichiguta
sezvinoita vana vevamwe batai basa vadzimu vangu ndinovimba nemi nekuti ndinoziva kuti
mandinzwa uye muchazadzisa randakumbira iri.

Nhoko dzetsuro unotswanya wogeza zvekare nekuisa imwe mumafuta ekuzora

Makwati anopiswa zvekare uchitaura zvaunodawo

*Dare Rembesa*

Marara sei vadare for dare redu riye ratakatadza kuita rembesa nei nei takuriita anytime munhu
pawagonera

Zvambwa zvako 4 uchasuma kunana sorojena woreva reva kuti hekani vakweguru vangu ndauyawo
nezvambwa zvangu izvi kuri kutendawo rakanaka rakajeka ramunondiitira muraramo yangu nhasi
uno ndahwarara mberi kweuso hwenyu ndichiti ndichangamidzane nemi kubva kumapako ndati
andingatambirane nevakuru ndiri maoko ndauya nezvambwa zvangu izvi mbesa dzangu idzi
ndichikumbirawo kuti mufemere masimba enyu pazviri ndinodawo manake mugore rino wotaura
zvese zvaukuda ndiwe unozviziva woreva reva kumhepo dzese dzigere padare mix all your mbesa
murusero tora rusero rako wotanga kupepeta hekani varikumhepo imi hekani vakweguru vangu
hevo machembere angu akachena chete vekwababa neve kwamai ndapfugama pamberi peuso
hwenyu ndimi ka vanosunga mudya ndimi munobata mitsvairo muchindibvisira marara munzira
dzangu dzandinofamba ndimi vabata vemigoti munobikira vana masadza vachidya vachiguta ndauya
pwere yenyu kuri kukumbira manake kukumbira machena kuchemera ka dare rekushavirwa imi
nevakweguru vemusha makare kenyu maive mhizha humhizha hwenyu hwaionekwa nekuvavarimi
vakuru mairima mbesa dzakasiyana siyana pwere dzaidya dzichipfachura matura enyu aigara akazara
apana chamaishaya pamamisha enyu mairera nherera nedzevamwe ndiwo ka hupenyu hwandave
kuda ndauya nembesa idzi ndichikumbira kuti mufemere masimba enyu pambesa idzi ndinoda rekuti
nerekuti pandichashandisa mbesa idzi ndakuda kuti raramo yangu ishanduke ndinodawo kurarama
hupenyu hweupfachu pfachu ndakudawo pfuma yakawanda sembesa idzi matura angu ngaagare
akazara ndaramba hupenyu hwekutambura imi maive nemagarikwa wani ndaramba mhepo
dzinouya neurombe pandiri chibatanai nevakweguru vemusha nedzimwe mhepo dzese dzigere
padare ndimi munodziziva neukuru hwadzo.

Mbesa dzako wopota uchigeza dzimwe wonyika uchipota uchinwa dzimwe kusha mumba
uchikumbirira kuzadzwa kwedura rako.Mbesa dzimwe unoshandisa paunoteura paye mundiro yako
yemari wosiya dzogaramo

Zvambwa wopota uchigeza zvimwe kupisa uchinatira

*Dare Remupfakanya*

Dare iri ndakaripihwa kumakope a year ago riri dare rekukumbirira kutambanudzirwa chiraramo
saka padare iri paibatanidzwa vedzinza nevekumadziva.

*Zvinodiwa*

📌Mupfakanya

📌Kapfuko or ndiro yemuti

📌Mukaka

📌Zviyo

📌Bute rematare

Ndakarota pauya muchembere akanditambidza kapfuko mupfuko umu makaiswa


mupfakanya,zviyo,bute rematare,nemukaka.

Muchembere uyu akareva mazwi akati bute nemukaka izvi zviri kubatanidza vekumadziva nedzinza
rako.

Kana wazvisanganisa unofanira kuzvigeza uchikumbirira kutambanudzwa kwechiraramo chako.

Tose tinoziva mupfakanya anditi ukauisa pasi kana muchanza unotanga kupfakanyika.
Saka padare iri ndodak kana uchinge wasanganisa zvese unenege wakureva reva:

Pamusoroi vedzinza rangu vakachena chete nedzimwe mhepo dzamakauya makaberekana nadzo
dzakachena chete ndabatawo mupfakanya,zviyo,mukaka,bute iri kuri kumbirawo manake kuri
kukumbirawo machena.

Nhasi uno nekushamba kwandichaita zvinhu izvi ndakuti chese chakamira mukati mehupenyu
hwangu ngachaitange kupfakanyika sekupfakanyika kuri kuita mupfakanya uyu ndiwe unoziva
chakamira mukati meraramo yako ndicho chaunoreva ipapo.Kana uri kuda kutambabudzirwa basa
wotaura kuti basa rangu kana ari mabhindauko emaoko aunobata ngaapfakanyike ave manake ave
machena vanotenga ngavawande chandinobata nekuronga chiendeke.

Nekugeza kwandave kuita nemukaka uyu kana riri rima, munyama,jambwa nerushavava chingave
chipi nechipi chiri panyama yangu kana muhupenyu hwangu chisina kufanira kunge chiripo
ndachitaramuke.Ndachema kwamuri varikumhepo kubva nhasi ndakukumbirawo raramo yakachena
semukaka.

Kana iri pfuma nhasi uno ndakuchemerawo pfuma inobatika pfuma yakawanda setsanga dzezviyo
idzi matura angu agare akazara.Ndidye ndichiguta sezvamaita makare

*Dare Rezvambwa*

*Herbal Corner International with Gono*🌿🌿

Makadii vadare kumativi mana kwamuri ndinovimba tese tiri vatano sekuziva kwedu vakuru vange
vari kumapako vachimbozeya nhaurwa dzakasiyana siyana maringe nematare edu zvino vamwe
vakadzoka vamwe vave pedyo nekudzoka tave kutanga gore idzva rematare vamwe gore rapfuurwa
makagonerwa nemhepo dzenyu vamwe azvina kunyatsofamba sekutarisira kwataive takazviita asi
tinoti ose manake tinongotenda chipo cheupenyu.

Zvatave kutanga gore idzva chishuviro cheumwe nemumwe kuti gore ra 2023 rimufambirewo
zvakanaka umwe neumwe ane zvaanoshuvira kuti mugore idzva iri dai ndabatawo chakati dai
vadzimu vangu vandiitirawo izvi chandinoziva mudzimu inonzwa uye inodaira zvinoda kutsungirira
chete.

*Part 1*
*Zvinodiwa*

12 zvambwa

Ndiro yekusuma/ small rusero

Uchatora zvambwa zvako zviri 12 woisa mundiro yako yekusumira or karusero kako kadiki
uchazvisuma kumhepo dzakachena dzigere padare rako:

Pamusoroi vana moyo ndauya kwamuri varikumhepo ndichikwidzawo zvanza kwamuri vedzinza
rangu nedzimwe mhepo dzose dzakachena ndati ndikutambirei kubva kumapako ndinotenda
vhumbamiro yenyu ndinotenda manake chaiwo auya akazara munhava dzenyu.

Ndahwarara pamberi peuso hwenyu ndiri pwere yenyu ehe vakuru vangu munoziva ka kuti pwere
ndeye kukumbira nguva dzose mukaona ndapfugama mberi kwenyu kudai moziva pane zvishuwo
zvemoyo zvandauya kuzotura kwamuri asika rino gore ndati andingataure nemi vakuru ndiri maoko
ndauya ndakagadzirira hezvo zvambwa izvo vakweguru vangu kukumbirawo kuti mufemere
masimba enyu pazviri ndinoda kuona minana kubva pazvambwa izvi pese pandichazvishandisa you
mention everything that you want to achieve mune iro gore paunenge uchiteura zvambwa zvako
ramba nhamo kumbira machena chete.

📌Wapedza zvambwa zvako izvi ndizvo zvauchange uchishandisa kubva pakutanga kwaro gore
kusvika parichavhara ukada kugeza,ukada kunwa ukada kuputa ndiwe zvinenge zvarovera hana yako
ndizvo zvauchaita zvambwa ndezvako azvidamburirwe umwe unopa makomborero ako kune
vamwe.

Moita nyama nemweya zviri pamwechete dare iri richaunza manake akawanda rakashoreka shoreka
asi vanotenda zvavo pazviri aiwa vachagonerwa.

Ngaave manake kwamuri mose madzisahwira erwendo vana moyo vahwarara👏🏿👏🏿👏🏿

*Kusuma bhindauko or basa rako kuvadzimu:*

Semugarwi kana uchinge wafunga kutanga bhindauko rako nomatter how small it is zvakanaka
kutanga warisuma usati watanga kuriita.Tinoziva makare kare vadzimu vedu vanewo zvaivararamisa
zvakaita sekupfuura mapadza,kutunga zvuma,kurima,kuvhima asi mazuvano zvave zvishoma
kunyanya zvekuvhima mhuka akusisina masango acho ekuvhima tave kuvhima hukwati.
Usati watanga kuhodha chinhu chekutanga kukumbirira kuvadzimu vako kuti vakuratidze gwara
rekufamba naro vamwe vane rombo rakanaka pamunokumbira unobva watoudzwa kuti iwe dai
wambozama kuita zvekusona zvinokuraramisa,vamwewo hana dzinogona kurovera kuti dai ndaita
kamusika kangu ndinorarama.

Nhasi uno wawana zvawafarira kuita usati wamuka kunohodha chinhu chekutanga chaunofanirawo
kuita kusumawo hukwati hwako hwaunoda kutangisa business rako wokumbira vadzimu vako kuti
hukwati wako hungotengawo chinobatika husatsakatike unoreva reva zvakare uchikumbira kuti
hukwati wauinawo pauchatanga bhindauko ngauberekewo imwe mari.

Kana wahodha zvaunoda kutengesa usati wazvitengesa unosuma zvekare pamusoroi vedzinza rangu
hevo machembere angu hevo mbereko yangu hevo vashavi vangu ndauya kwamuri ndini muzukuru
wenyu hero basa remaoko ramakandipa iro nhasi uno ndafunga zvekubika mabuns,nhasi uno
ndafunga zvekutengesawo doro ndakukumbirawo manake machena pabasa remaoko iri
ndakukumbirawo kuti chese chandichatengesa ngachitengwe makomborero enyu pabhindauko iri
ndiwo andakuda chipindai mumasango mushave vachatenga ndinoda kuti basa rangu randatanga iri
rigozivikanwa nyika yose anenge aravirawo mabuns angu ngaudzewo vamwe kuti kuna mamoyo
vanobika mabuns anonaka ndishavireiwo nhoro nenyati ndinodawo kuti ndidye ndichipfachura
pamba pano kana vari vanotenga sudurutsirai matsotsi vanoda kundiwisira pasi kure nebasa rangu.

Wapedza kutengesa zvawatengesa zvinofanira kutendwa azvina mhosva kuti nhasi watengesa 1rand
inotendwa woreva reva zvekare kuti vedzinza rangu ndinotenda nekundishavira andishore
zvamashava asi ndakakumbiro mushavewo nhoro nenyati ndaneta nekudyawo netsuro nehwiza
ndakudawo zvihombe.

You might also like