Chenura Yenyama

You might also like

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 3

Chenura or Chenura Makwara

Nhasi regai ndimbotaurawo zvishoma zvandinonzwisisa nenhau yechenura

Chenura or chenura makwara ivara rinoshandiswa zvakanyanya mumatare umu vazhinji tinongotaura
kuti ndakaitwa chenura or ndakanzi ndiitwe chenura asi atinyatsoinzwisisa kuti chimbori chii chaizvo.

Sekuziva kwangu chenura dziri pakasiyana siyana pane chenura yenyama nechenura yemusha

Chenura yenyama iri idare rekushambwa or kushamba kubviswa zvikwekwe or ndereka dzinouya
dzakatakurana nedzimu rigere pauri

Midzimu yako painokusarudza kuti nhasi tasurudza pwere iyi kuti tiishandise sehomwe yedu tinoda kuti
itakure dzinza pane dzimwewo mhepo zvekare dzisina kuchena dzinouya dzakaberekana nedzimu
dzakaita sengozi,tuvaranda,mweya yana mbuya or ana sekuru vakafa vachiroya or vachiita chipfambi or
vaingoita mabasa asina kururama inototiwo neniwo ndodawo kumushandisa sehomwe yangu ndigobata
mabasa angu ndiri paari and in most cases mhepo dzisina kuchena idzi ndidzo dzinenge dzakatungamira
mberi kwedzimu ndidzo dzinotangira midzimu kusvika kazhinji kacho uye mbereka idzi ndidzo
dzinonetesa mudzimu nemashavi akanaka anenge agere pamafudzi edu saka chenura is a process
yekubvisa mhepo dzese dzakaipa dzinouya dzakateverana nedzimu mbereka idzi dzinounza
munyama,jambwa,hurombwe,hurwere,munyama etc so chenura idare rekubvisa zvese zvakaipa
zvinenge zviri panyama yedu zvinofanira kunge zvisipo for example nyora dzatinoiswa
newakaipa,masare etc zvese izvi zvinobviswa nechenura.

Sekuziva kwedu tese midzimu nemashavi azvisvike pahomwe inenge yakasviba nekudaro kuti iwe
homwe yedzimu uchene unofanira kubata chenura yenyama yako mabatirwo echenura yenyama iyi
anosiyana nasahwira arikubata dare rako chenura iyi inosanganisira kugezwa nemakwenzi or makoma
akasiyana siyana anobva mumasango or madziva,kudya makwenzi or makoma,kunatira,kutemerwa
nyora kugeza,kunwa or kunatira nebute etc etc.

Chenura yenyama iyi ichenura inobatwa nasahwira achikutungamirira kuti unoita sei iyi ichenura
yaunogona.kubatira padare pasahwira or kusango or kumadziva nekuti pane dzimwe mhepo dzinoda
kutoshambirwa mukati memasango.
Pakuchenura homwe or nyama yako vamwe masahwira vanoshandisa zvipfuyo zvakasiyana siyana
zvichienderana nekuti iwe wakashereketerwa sei.

Dzimwe chenura zvekare panogona kushandiswa kakari kemasvusvu or tuzviyo twaunorasirira kunze
kwemusha kureva kuti kudondo kakari aka ndiko kanenge kachirevererwa kuti mhepo nhema
dzinorondana nenyama yangu kana makasimbiswa nedoro kubva nhasi iyi ndiyo pfuko yenyu
yamuchange muchinwa muri mudondo muno morega kurondanawo nenyama yangu ini ndiri pwere
andina randinoziva uye maoko angu akachena andidi kutambudzwa nemhepo dzandisingazive ndinoda
manake muraramo yangu.

Vamwe pakuchenurwa unonzi tsvaga ma old coins aye akaita sema penny vamwe venyu mhepo
dzinokutambudzai dzakarombwa pachishandisa mari so to counter what was done nemuvengi you do
exactly zvaakaita pakuromba kwake for eg mhepo nhema inorondana neni nhasi uno ndiri kuti kana
pawakanorombwa pakashanda hukwati nhasi ndauya ndakagadzirira ndakukupa gupuro rako iro kuti
usarondane neni kana wakatengwa ne mari kuti unditambudze iyo mari ndakupa rondana nemuridzi
akakutsvaga.

They are many ways dzinoshanda pachenura yenyama iyi ndangotaura shoma kuti tibatsirike so vazhinji
vanobvunza kuti chenura iyi inopera here uye inopera zvadii

Sekuziva kwangu chenura aipere its an on going process its not an overnight thing chero zvinhu
zvavhurika atimire kuchenura nhai nekuti wakaipa ahamire kukuronda nekukanda mapfumo therefore
iwe unofanira kugara uriwo pachenura yako atisikuti gara urikwasahwira uchi chenura kana wega
mumba unopotawo uchimbogezawo or kunwa bute or makwenzi uchikumbira kuti usarondwe nemhepo
dzakaipa.

Vamwe vobvunza kuti saka kana ndachenurwa ndofanira kuonawo manake after how long we dont have
a fixed time frame yatingati after how many days or months woona zvakufaya vanhu vanopona nenguva
dzakasiyana siyana zvichienderanawo nedambudziko asiwo kana wachenurwa dare kana richinge
radairwa nepasi unofanira kuonawo shanduko muraramo yako shanduko inouya nenzira dzakasiyana
siyana vamwe makwara anovhurika vamwe hurwere hunopera vamwe peace of mind chaiyo unoinzwa
and chandakadzidza paunotanga chenura iyi vakweguru vedu vasati vakupa pfuma inobatika panyama
vanokurapa pfungwa dzako or nyama yako they adress our needs 1st not our wants unotanga kuve ne
inner peace chero usina zvako mari unenge uine kamwe kamufaro so mukati mako kekuti wega you cant
explain it.

Uye vamwe venyu chenura yenyama yako inogona kusaperera padare rasahwira umwe chete unogona
kuenda kumatare 5 akasiyana uchingonzi chenura azvireve kuti sahwira akatanga dare akashaisa asi kuti
masahwira vane zvipo zvakasiyana siyana umwe ane chipo chekurutsisa umwe chekubvisa nyora umwe
chekubata zvikwambo hanzi nevakuru zvoto zvine muzera kureva kuti tsvimbo dzemadzisahwira
nezvavanogona zvinosiyana apana anogona zvose

Lastly chenura is the backborne or foundation yematare chenura yako ikasabatwa nemazvo kubva
kumudzi ndipo paye paunoona zvinhu zvichiita ma on and off kureva kuti foundation yako aina
kunyatsobatwa nemazvo saka kwakauya mvura ine dutu imba yese inowondomoka.

Chenura yemusha to be continued...

For all your bute supplies and all your herbal needs worldwide kindly follow us

https://www.facebook.com/www.herbalcorner.shop/

You might also like