Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 3

CHENURA

Maswera sei vadare kumativi mana pasi rose nhasi rega timbotandara tichizeya nhau yechenura
sekuziva kwedu pamatare edu chenura ndingati ndiwo mudzi wedare ingave chenura yenyama yako or
chenura yemusha chenura muchidimbu tingati ndiyo foundation yematare edu kuti mudzimu
nemashavi zvizonzi zvakonya zvave kuturuka zvichipanda matare angave matare emusha wako kana
matare ekubatsirawo dzimwe pwere zvese izvi zvinozogoneka kana iwe homwe yemhepo wachenurwa
kubviswa nyata dzose dzinouya dzakaberekana nemudzimu nemashavi zvekare kuti midzimu nemashavi
zvizonyatsosvika pasina zvinovhara musha hunge wachena hurombwa huri mukati memusha
hwaparadzwa tinodaro nekuti panorombwa paye vanoromba ava asati aromba chavanotanga kuita
kutsipika midzimu nemashavi zvemusha iri nzira yekusimbisa hurombwa hwavo nekudaro iwe nyama
yako nemusha kana zvakasviba zvisati zvachenurwa midzimu nemashavi zvigere pauri zvinenge
zvakasungikana kuti zvinyatsobata mabasa azvo nemazvo nekuti zvinenge zvakaneteswa nehurombwa
kana kuti netsvina iri mukati memusha.

Mabatirwo echenura idzi anosiyana siyana zvichienderana nechiri kuchenura today l want to talk much
about chenura yenyama or the processes involved pakuita chenura iyi kindly note that these processes
are not standard they differ from one person to the other asi ingori mibvunzo yandinoona vazhinji
vachibvunza kuti ko sei zvichizodai.

Panorombwa paye vanhu pavanoromba vanoita mhiko dzakasiyana siyana nezvinhu zvavo zvavanenge
varomba semuenzaniso umwe paanoromba anoshandisa mari iri nzira yekusimbisa makona ake,umwe
anouraya zvingave zvipfuyo(animal offering) senzira yekusimbisa hurombwa hwake,umwe anobika doro
chairo gore negore senzira yekusimbisa makona ake vamwewo ndivo vanopa vana vemudzinza
kuzvikwambo zvavo kuti vave vakadzi or varume vezvikwambo izvi.Muko kana kuti mhiko dzinoitwa
panorombwa dzinongosiyana siyana zvekare azvifanane musha nemusha une zvawo asi apana musha
usina gonzo.

As a way of reversing mhiko dzakaitwa idzi nevanenge vakaromba vaye zvakaitwa pakatsvagwa makona
ndizvo zvaunofanira kuitwa paunochenurwa paye iri nzira yekuita reverse the effects of hurombwa
uhwu ndinoona vazhinji vachibvunza kuti ko sei ndanzi ndigeze neropa rehwai or mbudzi or huku zviriko
here uye zvinoshanda here hongu zviriko uye zvinoshanda munhu anenge akarombawo kumusha
kwenyu or anenge achikutambudza anenge akaitawo ma animal offerings iri nzira yekusimbisa zvinhu
zvake nekudaro iwe kuti utsipinure mhiko iyi unoitawo animal offering asi uchishandisa ropa remhuka
kushamba naro paunenge uchishamba neropa iri arisi ropa rinenge rakawanda aiwa ropa shoma shoma
rinenge rakasanganiswa nemakoma akasiyana siyana ndiro raunoshamba naro uye dare iri rinobatwa
zvekare kana akaromba akaita mhiko yekuti azopota achipa makona ake ropa revanhu panoshanda
zvekare ropa rezvipfuyo iri nzira yekuita counter what was done pakarombwa ndosaka muchiona kuti
mumwe mumisha matinobva gore negore panofiwa zvakanyanya kazhinji munenge muine makona
anenge achideura ropa revapenyu saka kuganhura mhiko iyi panoshandiswawo ropa rechipfuyo moreva
reva kuti kana makona arikutambudza mumusha muno akatengwa neropa nhasi takuti ropa iri ndiro
ramuchanwa morega kutambudza pwere dzisina chadzinoziva.....

Sezvatamboreva pachinyorwa chedu tichitsanangura kuti zvinenge zvakaitwa pakunorombwa kuti mhiko
yacho ishaye simba paunobatirwa dare rekuchenura ndizvo zvekare zvinofanira kuitwa to reverse the
effects of hushereketwa hwakabatwa vamwe vanobvunza zvakare kuti ko sei ndakanzi nasahwira
ndinofanira kubika kapfuko kedoro kana kugeza nezviyo zvakasangana nemakoma akasiyana siyana
idare ripi rinenge richibatwa as explained earlier on this article vamwe pavanoromba vanotobika doro
kupembedza hurombwa hwavo saka pakuchenurwa paye zviyo zvinenge zvine misikidzo yedoro dare iri
rinobatirwa kunze kwemusha vamwe vanongoita kakari kemasvusvu kavanozonosiya zvekare kunze
kwemusha paunenge uri kubata dare iri unotofanira kusimba kupopota uchiramba mhepo nhema idzi
for example:Nhasi uno ndakubata chenura yenyama yangu imi vakweguru vagere pandiri andisi
kukusudurutsai asi ndiri kusudurutsa mhepo dzakaipa dzinosairirwa pandiri nevapenyu kana vakafa
veukama kana vatorwa ndichiti mweya yezvikwambo kana hurombwa hunonditambudza nhasi uno
ndakuti kana imi makabikirwa doro kuti munditambudze neniwo nhasi ndauyawo nerangu doro kuti
ndikupei murege kuramba muchirondana neni ini andina wandakatadzira maoko angu akachena ndiri
pwere inodawo kugara zvakanaka doro rangu iri ndasiya kunze kwemusha kubva nhasi mhepo dzese
dzerima dzinorondana neni mosarawo muchidzengerera murikunowo kunze kwemusha.

Panobatwa chenura iyi zvekare vamwe vamwe pavanenge vachiitirwa dare iri panoshanda mari
dzakasiyana siyana dzingave dzekare semapenny kana dzimwewo mari vamwe vobvunza kuti ko mari
inomisikidzei padare iri sekutaura kwandamboita kumashure uko vanoromba pavanoromba vamwe
vanoshandisa mari kutenga makona avo vamwewo ndivo vanosunga raramo dzedu nemari dzatinovapa
dziye kuti munhu tenga sugar iye orega kutenga sugar otosunga mari iye mugona ndipo paye paunoona
kuti kushanda unoshanda mari unobata asi chainonyatsoita chinobatika apa therefore to reverse the
effects of what was done ne akaromba panoshandawo hukwati uye mari zvekare inoshanda segupuro
raunopa kumhepo inenge yakaturikwa pauri kuti ikuite mukadzi or murume wechikwambo.

Zvekare pakubata dare iri vamwe paunonoshambwa kungave kusango kana kurwizi unonzi kana
wapedza kushamba usiye nhumbi dzako dzese dzaunenge wakasumira iri dare vamwe vanoita kuvaka
chimusasa musango ndimo maunogezera makoma akasiyana siyana wapedza kumageza zvese
zvaunenga wakapfeka zvinosara mumusasa imomo ko zvinoitirwei dare iri rinoitwa kazhinji kana
wakaperekwa kuchikwambo kuti chikuite mukadzi or murume saka paunenge wakurura nhumbi dzako
paye unenge uchirereva reva kuti kubva nhasi mhepo dzese dzinonditambudza kundiita mukadzi kana
murume nhasi uno ndakuti mochironda hwema hwangu panhumbi dzangu dzandasiya musango or
mumusasa muno mochirega kuteverana neropa rangu nekuti ini andina wandakatadzira.

Vanoda bute nezvekushandisa pamatare motibata apa tinotumira pasi rose


https://www.facebook.com/www.herbalcorner.shop/

You might also like