Kusuma Rimuka Rako Kuvadzimu

You might also like

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 1

Kusuma bhindauko or basa rako kuvadzimu:

Semugarwi kana uchinge wafunga kutanga bhindauko rako nomatter how small it is zvakanaka kutanga
warisuma usati watanga kuriita.Tinoziva makare kare vadzimu vedu vanewo zvaivararamisa zvakaita
sekupfuura mapadza,kutunga zvuma,kurima,kuvhima asi mazuvano zvave zvishoma kunyanya
zvekuvhima mhuka akusisina masango acho ekuvhima tave kuvhima hukwati.

Usati watanga kuhodha chinhu chekutanga kukumbirira kuvadzimu vako kuti vakuratidze gwara
rekufamba naro vamwe vane rombo rakanaka pamunokumbira unobva watoudzwa kuti iwe dai
wambozama kuita zvekusona zvinokuraramisa,vamwewo hana dzinogona kurovera kuti dai ndaita
kamusika kangu ndinorarama.

Nhasi uno wawana zvawafarira kuita usati wamuka kunohodha chinhu chekutanga chaunofanirawo
kuita kusumawo hukwati hwako hwaunoda kutangisa business rako wokumbira vadzimu vako kuti
hukwati wako hungotengawo chinobatika husatsakatike unoreva reva zvakare uchikumbira kuti hukwati
wauinawo pauchatanga bhindauko ngauberekewo imwe mari.

Kana wahodha zvaunoda kutengesa usati wazvitengesa unosuma zvekare pamusoroi vedzinza rangu
hevo machembere angu hevo mbereko yangu hevo vashavi vangu ndauya kwamuri ndini muzukuru
wenyu hero basa remaoko ramakandipa iro nhasi uno ndafunga zvekubika mabuns,nhasi uno ndafunga
zvekutengesawo doro ndakukumbirawo manake machena pabasa remaoko iri ndakukumbirawo kuti
chese chandichatengesa ngachitengwe makomborero enyu pabhindauko iri ndiwo andakuda chipindai
mumasango mushave vachatenga ndinoda kuti basa rangu randatanga iri rigozivikanwa nyika yose
anenge aravirawo mabuns angu ngaudzewo vamwe kuti kuna mamoyo vanobika mabuns anonaka
ndishavireiwo nhoro nenyati ndinodawo kuti ndidye ndichipfachura pamba pano kana vari vanotenga
sudurutsirai matsotsi vanoda kundiwisira pasi kure nebasa rangu.

Wapedza kutengesa zvawatengesa zvinofanira kutendwa azvina mhosva kuti nhasi watengesa 1rand
inotendwa woreva reva zvekare kuti vedzinza rangu ndinotenda nekundishavira andishore zvamashava
asi ndakakumbiro mushavewo nhoro nenyati ndaneta nekudyawo netsuro nehwiza ndakudawo
zvihombe.

For More Teachings Kindly Like My Page Herbal Corner International

Mamoh 0027732328499

You might also like