Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 789

ORNAMENT

WRITTEN BY

AUTHORESS
PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

Pdf by VaDeny....
*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 1*

Pandaipinda mugarden nemugomo


wemvura ndaiti ndikaona kuti Mai
Madzinga vakatarisa kuside kana kuti
vakakotama zvekuti havaoni
madiridziro angu ndaibva ndaita mvura
yekurasira mumubedha wemadomasi
andaidiridza, zvino Mai vacho vaisada
kuti kana uchivadiridzira woita mvura
yekungodurura sezvandayiita ipapo
kwainzi haipindi pasi zvakanaka. Musi
wacho taingova vaviri inini navo mu
garden mavo ini ndichidiridza ivo
vachiiya fertilizer muchibage chavo
"Koo nhai Orna urikumhanyireiko
ukadaro ndakuona kare kuti nhasi uri pa
speed chaiyo" ndevamwe vainzi Mai
Luke vaindibvunza kudaro ndikavati
"ndakatorohwa nenguva nhasi kune
game kah pedu apa" ndakavapindura
kudaro zvikanzi "hoo ndambonzwa
Luke achidaro ndatosiyawo
achigadzirira kuyenda zvino uchenjere
muteru uripo apa nema mhanyiro
awurikuita unogona kuzoshaiwa
balance ukadonha" vakandidaro
ndikavati "inini chaiye kudonha apa here
Mai Luke hazviite because ndine
experience napo" ndakavadaro
vakaseka. Ipapo ndaitotikura
nemugomo kubva muchidziva
chataichera mvura yacho yekudiridzisa
apa pandaitaura navo ivo vaiwacha
sezvo vazhinji vaiwachira zvese
nekusukira ndiro dzavo kurwizi, ndaiti
ndikachera mvura ndokurumidza
kukanda mugomo pamusoro makata
ayivapo ndaisamaverenga kana
kuyazeza pandinodurura mvura
mugarden ndaibva ndadzokera
kunochera imwe ndichimhanya sezvo
panenge pava pamuteru ndayipadzika
ne speed chaiyo.

Ndakazopedza kudiridza ndichibva


ndatemherwa madomasi angu namai
Mudzinga ndakayaisirwa mu plastic
bag kwave kubvapo ndichinochera
mvura yekuyenda nayo kumba uko
kwandakati ndichinosvika ndisati
ndambotura mugomo zvikanzi na
sekuru "waitabasa wabva wasvika
nemugomo wemvura muzukuru huya
nayo pano ubve wangoidurura mu dish
umu vanhu vepano ndikasatotaura kuti
mbudzi idzi ngadzipihwe mvura hapana
anombozvifunga dzinongoswera
nenyota yadzo" mbudzi dzairehwa
ipapo yaiva mai vakatyoka gumbo
vakazvarira chimwana chavo
muhwurema ihwowo saka
yaisavhurirwa zvekukamhinha ichienda
kumwe yaingosungirirwa padanga
ipapo yokandirwa mafuro nekupihwa
mvura ,ndanzi ndiuye nemvura iye
ndakabhowekana semunhu ayinge
akanonoka pa nguva asi kuvarambira
zvaisaita . Ndakabva ndananga ne
bucket rangu padanga rembudzi
pavaiva kwave kunoidurura mu dish
ndikavati "maswera sei sekuru" zvikanzi
"ndaswera zvakanaka muzukuru, yah
zvaita oh heri bucket iri ndanga
ndichida kutomhanya kunochera mvura
yembudzi idzodzi but ndizvo
zvakanakira kuva sekuru ndabva
ndangoivigirwa nemuzaya mvura
yacho" vakadaro vachiseka uye
vachinditambidza bucket ravaiva naro
ipapo ndakangoita smile
yekumanikidzira nekuda kweku
bhowekana. Ndakanogadzika bucket
riya pamadziro ekitchen ndichibva
ndadzokera kunochera imwe mvura
ndichisvika kurwizi ndakawana Mai
Luke vave kubvisa hembe dzavo
dzavainge vayanika muzvikwenzi zvaiva
mujinga merwizi vakanditi "Koo
wadzoka futi here ndichatokutangira
kunosvika ku ground iwe because
ndatopedza washen yangu" ndakabva
ndavati "hoo nhasi munenge muriko
here uku muuye nema bans enyu aye
ndogona kuzotengerwawo one kana
two na mukoma vangu plus nemazariro
akunenge kwakaita munotodzoka
bucket renyu rava empty nhasi"
Ndakadaro ndichitonyika mugomo
mudziva pandakaubudisa kunze ndipo
pavakanditi "hoo kasi ariko here
Moment iye ane chikwereti changu kah
chakasara paakapedzisira kutora ma
bans angu" ndakavatarisa ndikavati
"hoo vane chikwereti nhai? vakayatora
zvarinhi ipapo" zvikanzi "hapasi
pavakuto kwana two weeks here iye
anochiziva chikwereti chandiri kutaura
nezvacho don't worry ndichamuona
ndega" vakadaro ndikavati "horaiti
paribho vakauya nezuro variko"
vakandidairawo zvaiyenderana nenyaya
yedu. Ndakazotakura mugomo wangu
ndichidzokera kumba kwandakawana
mukoma vangu vatochena chena
zvekuda kubuda pandakaona vave
kufamba ndakabva ndavasheedza
ndichivamisa sezvo vainobuda nerimwe
gate risiri reside randainge ndapinda
naro rinobva kurwizi pamba paiva nema
gedhi maviri, pandakavamisa vakabva
vamira pasi pechimuti chimuruva
chaivapo pamba pedu ipapo
kurikutevera mumvuri iniwo
ndakananga nemvura yangu kutoilet
kwataigezera ndokuturira mugomo
wangu panze , ndikafamba ndichiyenda
kwaiva namukoma Moment apa
ndanga ndatotsamwa ndakasvika
pavari vachizvigadzirisa kepesi yavo
yaiva mumusoro ndikavati "ndizvo
zvamavakuita hant kah zvekutenga
zvinhu zvenyu mobva madya
muchindinyima". Vakambomira
kugadzirisa kepesi yavo kwave
kunditarisa asi vakayibata nemaoko
ese kumberi kwayo vakanditi "zvinhu
zvipi zvaurikutaura izvozvo" ndikavati
"hant kah makatenga mabans enyu
kwamai Luke mukandinyima?" Vakabva
vaseka zvikanzi "Kasi vanga
vachikubvunza nezvangu panhau
yechikwereti chavo here Mai Luke?"
nekuwona kuti ichokwadi
ndakawedzera kurwadziwa ndikavati
"ehe makandinyima kah mabans enyu
horaiti iribho" vakaramba vachiseka ini
ndavekumzwa kuda kutochema
zvikanzi "ah wakanyanyawo iwe munhu
ari form three anochemera mabans?"
ndakabva ndavati "kana makatenga
mabans enyu mukandinyima
makandinyima chete zvekuti ndiri form
three zvine basa rei?" . Ndakavadaro
vakaramba vachindiseka zvikanzi
"nezuro pawaindiudza kuti unoda
birthday present dzekusvitsa 15 years
kwawakaita kuswera zuro ndaitoti
zvimwe chihanzvadzi changu chakura
kaini izvo chirikutowedzera kuita zvinhu
zvekupusa shuwa ungachemera
mabans here nhai Orna" matauriro
nemasekero avaindiita akaita kuti
ndiridze tsamwa ndikanzwa kuda
kuzvisekawo asi ndakaperera musmile
vakanditi "horaiti ngaipere
unonditsvaga kana wauya ku ground
rega ndimhanye kunobata Purpose
asati abuda paden pavo" vakadaro
vachitofamba kubva pandiri ndikavati
"iribho kwete kuzondi ignore kana
ndava kukusheedzai pamunenge
makagara nemazishamwari enyu"
zvikanzi "haah maya usandityire".
Vakadaro vave kutofamba uku
vachizvigadzirisa jean trouser ravo
vachiita sevairi pukuta pukuta nemaoko
kwave kusimudza gumbo kutarisa teki
ravo nyowani ravainge vakapfeka,
vainge vangobuda kwenguva inokwana
kuita masvondo maviri pakudzoka
kwavo ndipo pavakauya nemateki
manyowani avainge vakapfeka zvese
ne jean trouser and also kepesi, t-shirt
ndiyo yaiva tsaru asi yaiyiswa pagroup
rehembe dzekufambisa kubhazi.
Vachibuda ini ndakasara ndichisuka ma
plates time dzandainge ndave kupedza
gogo vakabva vasvika
vakadungamidzana nemamwe
madzimai maviri eku church ende
madzimai iwayo vaiva vanhu
vairemekedzeka ku church kwedu ku
ZCC kwataipinda zvekuti ndakasiya
zvindiro zvishoma zvandainge
ndasarwa nazvo kwave kugeza maoko
angu ndikapukutira hwunyoro hwacho
pahembe dzangu dzandainge
ndakapfeka ndichibva ndanopindawo
muimba hombe munova ndimo maiva
mu dining kwave kusvika
ndichipfugama ndikakwazisa vana Mai
vaye mumaoko chaimo ndikavati
"makadii vana Mhama" vakandidaira
zvakanaka , semunhu ayinge asiira
basa panzira ndakakurumidza
kuvawoneka ndichida kudzokera
kundiro dzangu. Pandainge ndobuda
ndakanzwa umwe wavo ave kuti
"kukura hakutani vasikana Ornament
atova mhandara takatarisa kudai"
zvikanzi nevamwe vacho "Chokwadi
atokura imi ende Mwari varambe
vachikuiturai zvakanaka mufunge
henyu Mai Muguri" ndigogo vairehwa ini
handina kuda kuteerera nyaya dzavo
sumunhu ayinge akarohwa nenguva
ndakananga kuchitanangare kwave
kunopedzisa kusuka pandainge ndoda
kunogeza ndakabva ndasheedzwa na
gogo zvikanzi "zvino todiikowo nhai
muzukuru wangu wochingogadza kah
chipoto che rice pamoto ndiro riri fast
vayenzi havangazodzokeri kudzimba
dzavo vasina chavadya" vakadaro
ndikawedzera kurwadzirwa nguva
yangu ndikangoti "horaiti gogo"
vakabva vanditarisa zvikanzi "ukazenge
usiri kuda hindava kasi urikuda kubuda
here ende usandiudze kuti urikuda
kubuda neshamwari yako Monalisa
wandakaku rambidza nezvake Orna".
Nekutya kurambidzwa kubuda
ndakakurumidza kudzungudza musoro
ndikati "ayewa gogo ndirikuda kuyenda
ku ground kune bhora chero
mukabvunza mukoma Moment
naivowo ndiko kwavatoyenda" zvikanzi
"howoo gara zviye ndinhasi pane game
rairehwa riye ok saka kana wanonoka
chiyenda hako togona kungovadirira
drink nema biscuits but asara
mashoma ndanga ndiri kuitira kuti
muzowana ekupedzisa svondo
ratirikubata irori muchiwana
chekutakura kuchikoro" ma biscuits
ndaimafarira ende ndaisada nawo saka
ndakabva ndakurumidza kuvati "ayewa
regai ndibike rice harinonoke haro itwo
minutes" zvikanzi "horaiti hant
wazoyenda kugarden kwawanga
wadaidzwa namai Madzinga vakupa
here madomasi?" Vakandibvunza
kudaro ndikati "ehe vandipa
vatondikandira netwuma shallots
onion" zvikanzi "inga vaita havo chibika
ugoyenda".
Vakadaro vave kutofamba
vachidzokera Mumba maiva nevayenzi
vavo ini ndave kunanga ku kitchen uko
kwandakano mhanyidzana nemapoto
ndokubika rice ne soup yemadomasi,
soup yacho yakabuda zviri nani
zvaisanyadzisira kupa vayenzi nekuda
kwekuti ndainge ndayiisa zvima spices
zvakapihwa vana gogo kubva kune
zvemusangano wenyika. Izvo zvaiti
zvikauya kwedu ku Uzumba Maramba
Pfungwe kazhinji zvaisawanikwa
nevanhu vese kunze kwe machembere,
chirikadzi ne nherera asi kwedu kusiri
kuma chembere zvainge zvawanikwa
nekuda kwekuti Sekuru vangu vayi
contester kuda kuita Councilor
wekwedu kwa Maramba ward 2 saka
izvozvo zvaivapa ma chances ekuwana
zviwanikwa zvese zvayiuya ndiko
zvekare kwainge kwakabva ma biscuits
andainge ndaomera kuti apihwe vana
Mai veku church. Ndakati ndapedza
kubika ndokunosheedza gogo ndichida
kuti vandipe ndiro dzevayenzi idzo
dzaigara mu kitchen unit yavo uye
dzaiva special zvekuti tese isu
taisangobvumirwa kudzibata vakauya
ku kitchen ndokuona zvandainge
ndabika zvikanzi "chiyenda hako unoita
zvinhu zvako rega ndichipakura ende
wabika chaiko waita hako muzukuru
wangu" vakandidaro ukava murumo
wavo mumwe chete zvekuti ndakabva
ndatofambisa ndichibuda mu kitchen
ndokunanga kunogeza asi handina
kunopedza nguva ndirimo mu Blair
toilet medu nguva diki diki ndainge
ndatopedza pakuti ku ground
kwandayida kuyenda musi wacho
ndainzwa kuti kwainonakidza chete
sezvo ndaiyenda ndakapfeka dress
nema pumps zvese zvaiva zvinyowani
ndainge ndazvi unzirwa na mukoma
Moment kubva ku Mazowe kwavayiti
vanombono shanda kupurazi rema
Orange nema banana kwainzi kwa
Tomu, ndaitizve ndikafunga kuti ku
ground kwandaiyenda ndainotengerwa
zvekudya namukoma vangu ndainzwa
kuti ndini ndinenge ndichitorira
kudarika vamwe vezera rangu.
Ndakapedza ndokuoneka gogo
vakanditi "wachena kuita kufitwa kunge
munhu akarisona dress rako
akatongosona achiziva kuti
richapfekwa newe" vakadaro ndikaseka
ndichibva pavaiva ndave kutomhanyira
kugate asi ndakati ndava kunze
ndakanzwa Sekuru vachiti "Ornaaa...
Ornameeent" uku kwaiva kundidaidza
kwavayiita ndichibva ndawedzera
speed zvekuva ignore pakuti hanzvadzi
yamai vangu yainetsa zvayo zvainge
zvaipira futi kuti ndini ndega ndaingova
musikana pamba apa , Ivo vaingova
nevana vatatu uye vakomana chete
muhombe wacho ayitova same level
neni kuchikoro asi pahwu form three
hwedu taizongosiyana ma classes iye
ayiva ku C kumadofo ini ndaiva mu B
mune vaigona zviri pakati nepakati.
Ndatiza Sekuru vangu kudaro ndakati
ndichinoyambuka rwizi sezvo kubva
kwedu kuyenda ku ground pakati apa
taiyambuka mutsugwe river ,
ndichangoyambuka ndakatanga
kunzwa morare waibudikira uchibva ku
ground zvakandipa kuti ndiwedzere
speed ndaitoda kumhanya chaiko
ndakaona kuti bhutsu dzangu
nehwunyowani hwadzo dzaindikonesa
kumhanya zvakanaka ndichibva
ndadzibvisa saka time dzandainge
ndakakotama ndichida kudzinhonga
kubva pasi sezvo dzainge dzatobva
mutsoka ndakavhundutswa ne voice
rakanditi "hihwee" ndakaita
sendicharuma pasi nekuvhunduka
pandakasimudza musoro ndakawana
ari Hurryson mwana wamai Luke
akabva atanga kuseka akanditi "hesi
kani shoti koo unototyawo zvekudaro
here" nekuda kweka pressure
kekunonokerwa nekusvika ku ground
kandaiva nako ndakanzwa hasha
ndikamuti "shoti ndimbuya vako vane
chitumbu chakazvimbirwa ne yeast" .
Akabva anditi "wega hausikutoona kuti
urikushaya here ipapa yeast inodyiwa
yega here zvekuti ungatoti inozvimbira
munhu zvimwe zvinhu tangai mafunga
musati mataura vana shoti kana kuti
maybe hautozive hako kuti yeast yacho
chii ndikudzidzise" akadaro ndikamuti
"zvawava kutotaura ndezvako izvozvo
yeast yacho iyoyo yavanodyira mumazi
bans ano bhekwa na Mai vako
yakatowandis zvekuvaitisa chitumbu"
handina kumupa nguva yekupindura
ndakabva paari ndava kutomhanya
ndabatira ma pumps angu ari
mumaoko ndikamunzwa achisheedzera
kuti "ukandiona uchinje nzira" hongu
ndaiva mupfupi asi zvekunzi shoti
ndaisazvida. Ndakati ndave kusvika Ku
ground ndakanzwa mufaro uchizara
mandiri song yaiyimbwa plus morare
waibudikira kubvako wakandiudza
wega kuti team yekwedu yaiuya nazvo
pakuti raiva game re two ma team
ayizivikanwa nembiri yekugona soccer
mu Uzumba Maramba Pfungwe yese
kwaiti yepedu Borera stars koti
yaibvawo ku ward 4 yainzi Giants boys
apa raiva game rekuti team yainge ya
winner ndiyo yaizotamba neimwe team
yaibva ku Mpaka musi weRally yekuuya
Kwa Mp yaivapo pamazuva mashoma
ayitevera , ndakagadzika ma pumps
angu pasi kwave kutanga ndazvipukuta
dust neka tauro kangu kandaiva nako
kwavekuzopfeka ma pumps aye
ndokubvapo ndichimhanya. Inini ndaiva
nemorare zvakaitikawo ndezvekuti
ndichinosvika chaipo payiimbwa pacho
song yavo yaibva kutoperawo ndichibva
ndashaura yangu ndichizviisa kumberi
kwavo pakuti taitoimba ma songs
tichitaura mazita evakomana vacho
vaitamba ndakatanga nekungoti *Pepo*
chaunga kwave kuidaira vachiti
*Purpose uri wesipeya*ini ndokuti
*ndinoooo* vakadaira vachiti
*ndinokuda ndakuona* ini ndikati
*Sara* vakandibvumirawo vachiti *Sara
zvako wakadaro Sara wakadaro
Purpose* apa taiyiita kuombera maoko
morare wacho tichiusimudza zvekuti
kana vatayiimbira vainzwa kuzadzwa
nesimba mavari.

*Pepo.. Purpose uri wesipeya ndinoo


ndinokuda ndakuona saraaa.. Sara
zvako wakadaro Sara wakadaro Pepo*

*Jeri... Jeri uri wesipeya ndinoo


ndinokuda ndakuona saraaa.. Sara
zvako wakadaro Sara wakadaro Jeri*

*Luka... Luke uri wesipeya ndinoo


ndinokuda ndakuona saraaa... Sara
zvako wakadaro Sara wakadaro Luka*
*Stay tuned.......*
https://chat.whatsapp.com/KM5dF6O8
atm8D0OXWMJQ4N

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl

ȱPress apa ndokumbirawo uyise like


Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.

*̗ORNAMENT̗*
WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*
*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 2*

Ndisati ndapedza kuimba song yangu


team yepedu yakabva kagohwesa tese
tikasheedzera kuti "hureeeeeeee"
zvichirevera kuti ramwa, takadaro
tichipinda mu ground tichipemberera
tikabudamo ndashaura imwe *ewuwee
mwana wandakareraaa* vamwe
vakandibvumira vachiti *ndakarera
ndega eeeeyeye ndakarera ndega*
pandaishaurira song ndikabvumirwa
zvine mutsindo ndainzwa morare
uchizara mandiri sekunonzi ndini
mwana wa Mp vacho vaizouya.
Ndakawedzera kusimudza voice
*ewuwee mwana wandakarera ...
Ndakarera ndega .. chii chinonzi bhora
usina kudzidza.... Ndakarera ndega ..
chii chinonzi bhora mwana
wandakareraaa... Ndakarera ndega ..
ewuwee mwana wandakareraaa*
Takayenderera mberi nekuimba
tadzokera kunze kwe ground ndaiti
ndikaneta powana umwe
anosimudzawo yake song , mushure
mechinguva chakati kuti vakomana
vacho vakazoyenda ku half time ndipo
pandakafunga kuti better ndimbono
tsvaga mukoma vangu ndichiitira kuti
vagare vandipa mari. Nguva
dzandaifamba kudaro ndakaona Mai
Luke vakagara pasi pemuti wemuwuyu
waivako ku ground kwedu uye painge
pakagarwawo nevamwe vaitengesawo
zvimwewo asi ndisati ndayenda
kunotsvaga mukoma vangu
ndakangofunga kutanga ndanoona kuti
ma bans anga achirimo here uye kuti
zvii zvimwe zvaitengeswa nevaivapo
ndichiitira kuti ndizonopihwa Mari
yaikwana zvese zvandaida "ende nhasi
urikunakirwa wanga wakarimirira
chaiko game iri Orna" vakandidaro Mai
Luke ndichisvika pavari ndikavati "izvi
here Mai Luke zvishoma izvi mirai
muone musi unouya MP pachatamba
vakomana vepedu ne Mpaka"
ndakadaro ivo Mai Luke nemamwe
Madzimai ayivapo vachibva vaseka
zvikanzi nevamwe Mai "pamwe
ichadyiwa team yedu hant bhora
harisati rapera here" . Ndakakurumidza
kuzviramba ndikati "havadyiwe ava
vatorova ne gape musatambe nekurova
vanhu 2-0 nhasi Giants boys inodzokera
kwayo Ku ward 4 vakabata mudumbu
vachidurura road yese".
Vakabva vaseka ini ndaidaro
ndichivhura bucket ramai Luke
ndikavati "yah achirimo ma bans enyu
regai ndinopihwa Mari namukoma
wangu" zvikanzi "umuudze akupe neye
chikwereti changu" ndikavati "iribho"
ndakafamba ndichibva pavari
ndavekunanga kwandaiziva kuti
ndinonovawana mukoma Moment
kunova ndiko kwainge kwakagarwa
nevanhurume vazhinji veku team
yepedu. Sezvineiwo ndichiyendako
ndakabva ndavaona mukoma wangu
vari kuroad vakamira nevasikana two
ndikafamba ndichiyendako vasikana
ivavo ndaivaziva zvemuraini asi vaiva
vakuru kwandiri uye taisatodyidzana
"yah nhasi ndavakuzo zivawo maiguru
vangu mangu ndevapi apa nhai
mukoma" ndakasvika ndichidaro Ivo
mukoma vachibva vaseka vakanditi
"Koo urikutondivhima zvekudaro here
apa" ndikavati "ehe hant tawirirana kare
here tichiri kumba kasi mavakuda
kuchinja nekuti makamira nevasikana?"
Ndakataura izvozvo mushure mekunge
ndapindwa nepfungwa yekuti zvimwe
vaida kundinyima mari vachipa
vasikana ivavo. "Horaiti ndirikuuya fana
kufamba mbichani" vakandidaro
ndikavati "Saka musikana wenyu ndeupi
apa ndoda kuziva maiguru vangu". Saka
vaisada kutaura zvikanzi nemumwe
wacho "ndini hako iwee maybe vane
vasikana vakawanda mukoma vako
that's why vasiri kuda kutaura" Akabva
atariswa naivo mukoma Moment
vakamuti "vasikana vakawanda
vekupiko Jacqueline usataure zvisina
basa iwee .. fana kufamba Orna
ndirikuuya" vakandidaro ini ndikabva
pavari ndichifamba zvishoma
nezvishoma ndaitya kuti ndikayenda
kure or ndikafambisa vaizononoka
kuuya. Ndakazoita zvekuvamirira
vachipedzisa kutaura nevasikana vaye
asi ndakamira kudaro pakabva pasvika
Hurryson akanditi "ndoda kukumenya
uchaona hako zvandichakuita" ayidaro
achitodarika nepandaiva ndikamuti
"timomenyana" zvikanzi "iribho
uzozvimiririra" akakurumidza kubva
pandiri because anga awona mukoma
vangu vachiuya.

Kumuona kwandakaita mu road


paakazondi vhundutsira ayitobvawo
kumba kwavo achienda ku ground
,pakuti chiroad chaibva kwavo
chaisangana nechaibvawo kwedu
zvinzira zvacho zvichisanganira pamhiri
perwizi ipapo. Mukoma Moment
vakasvika patiri vakanditi "urikumboda
kutengerwei chaizvo handina mari ini
Orna" ndikavati "handei tingonoona plus
Mai Luke variko kwanzi muvape Mari
yavo" zvikanzi "watoita wataura zvamai
Luke wabva wandifungisa imwe nyaya
koo hanzi urikudanana na Luke
ichokwadi here because ndatonzwa
kuchinzi anokuchingura paunobva
kuchikoro" nyaya yavo yakandirovesa
nehana ndichibva ndakurumidza
kuiramba ndikavaudza chokwadi
ndichiti "iyii inhema pane day
randakadzingwa kuchikoro pandanga
ndisati ndabhadhara school fees ndipo
pandaka fambidzana na Luke , then
rimwe zuva shuwa takamuona muroad
tichibva kuchikoro ndipo paakanditi
Ndipe ndikutakurire bag rako
ndikamupa asi handidanane naye plus
handiite zvevakomana" vakangonditi
"iribho haisi nyaya" ipapo tainge tave
kutosvika pavanhu vaitengesa . Vakati
"ndine chikwereti chenyu chemariiko
nhai mai Luke chamuri kuimba kudaro"
vaibvunzwa vacho vakati "kuimba
kwekudii ndipe Mari yangu Moment
ukayenda ku Mazowe kwako uko
unoziva kunoti nyaa uriko hako"
vakadairirana pakuwirirana kwavo
vachibhadhara chikwereti ini ndikanzi
nditore ma bans four asi pa four angu
ayiva two mamwe ndakanzi nditsvage
Spensor ndigomupawo anova ndiye
ayiva mwana wasekuru mukuru uyezve
ndiye ayiva form three seni, ndakazonzi
nditore zvekare one banana ndikaridyira
ipapo. Takaparadzana na mukoma
Moment ini ndave kunotsvaga Spensor
ndakanonoka kumuwana sezvo painge
pakawandwa ukuwo bhora ranga
ratotanga vakomana vabva ku half time
, asi ndiri mukutenderera kudaro
ndaitodya angu ndikazomuona
arikudhuze nekuchibhorani ayine
shamwari dzake ndichibva ndafamba
ndichiyendako asi ndisati ndasvika
paari ndakatanga ndayenda
pachibhorani ndikakumbira zvivana
zvaivapo kuti zvindi dhairewo kwaveku
hakira chipaper chema bans aye
pabango sezvo chibhorani chacho
chainge chakakomberedzwa
nemapango. Ndaisava nechigubhu
saka ndakaita zvekudhairwa ndichinwa
ndakachingidzira nemuromo ndainzwa
kuti pane vanhu varikusvika nekuda
kwema voices zvikanzi "uhwu ndihwo
hwunonzi hwuyanga manje aah better
hedu hatichere mvura kuno otherwise
dai tichingonwiswa tsvina dzana Orna"
ndakabva ndasiya kunzwa mvura
nekuda kwekuzvimbirwa ndokutanga
ndapukuta muromo wangu ndikati "iwe
Edmore usade kuonererwa wanzwa kah
hwuyanga hwupi ndini ndatanga
kunwira mvura apa here ini" zvikanzi
naiye "kuonererwa kwekudii wega
hauwonewo here kuti hwuyanga zvauri
musikana akasvika svika wani"
matauriro ake akandibhowa ndikamuti
"chero ndikaita hwuyanga hachisi
chibhorani chababa vako ichi wataura
wani kuti hamucheri mvura kuno saka
mirira ndizodaro ku mvura dzekumba
kwenyu ncxaaa anokunzwa uchidada
anotofungira kuti zvimwe makacheresa
mvura dzacho nekushanda" zvikanzi
"Saka takadzicheresa nei kana sekuru
vako vasina Mari usati vanhu vese
havana Mari sha" ndakatoona kuti ayida
nezvangu ndikamuti "wakambo
searcher muhomwe mavo ukawana
musina Mari here ndizvo zvinokupai
kushandisa Purpose dzinza rese" akaita
hasha zvikanzi "ndokubamura
Ornament wanzwa?, uzive zvaunotaura
dzinza redu rinoshandisa mukoma
Purpose pakudii" ndikamuti "pakuita
Mari hant inyaya yemari here
yatirikutaura pano apa" . Ikadairirwa na
Hurryson achiti "chimusikana ichi
ndakachimakira dzungu rachinacho apa
neniwo chambondidenha chinoda
kumbopurwa size chaiyo" vaiva vese
because ayiva mashamwari ndikati
"iwee Hurryson handisi kutaura newe
ndizvo zvinokupa kuchemberera ku
form three zisekuru rinodzidza
nevazukuru varo" anga anzwa
nekudzokorora chikoro hake asi
ndofunga chokwadi changu
chakamurwadza nekuti akabva awuya
pandiri akandipa mbama.

Ini ndichibva ndamudzoserawo


tikatanga kurovana asi ndakazoona
andisiya ava kumwaiwa zvibhakera na
Spensor uyo wandanga ndisina kuona
kusvika kwake , takatanga
kumukutsirana Hurryson tikazobatwa
nevamwe vakomana vechikuru
vakasvikawo pataiva zvikanzi naiye
Hurryson "yangu haipere iwewe
Spensor wapindira nyaya yausingazive
kah?" Ndikadaira ndiri ini ndikamuti
"kana nesuwo futi yedu haipere unoona
uri mukomana woda kufamba
uchijairira vasikana manje neni
tinosvitsana kuma pena because
zvibhagera hazvina musikana kana
mukomana saka tinototsokotana size" .
Vamwe vakatanga kuita noise
yekukuchidzira ukuwo Spensor anga
abvisa t-shirt achitoda kuyenderera
mberi nedhudhu achiti kuna Hurryson "
usarwe na Orna because musikana
kana uchigona kurova huya apa upinde
maoko neni feya feya" ipapo vanhu
vaitowedzera kuungana Mai Luke
vakasvika vachibata mwana wavo
ruoko vachitaura zvandaisanzwa kuti
vaiti chii nekuda kwekuti paiva ne noise
plus iniwo ndaipopota nekuside
ndikazongonzwa pavayiti "ehe nhaimi
henyu ende vana vekwa Muguri vane
chikutsi chakaipa ndizvo zvavari
vanokutsira izvezvi ukada kuronda
nyaya iyoyi unoona wekwavo ariiye
adenha" vaidaro vachizunza maoko
zvekupopota panguva iyoyo mukoma
Moment vakabva vasvika vakatanga
nekubata Spensor ruoko pandakaona
kuti vanga vave kuuya kwandiri
ndakabva ndatora mabans aye anga
achiripo pandanga ndamahakirira
"urikuyenda kupi iwee huya kuno tione"
vaidaro kwandiri vachinditeverera
kwave kubatwawo ruoko vakafamba
vachibva nesu pachibhorani paiva
nevanhu. Tave kwedu tega vakabva
vatiti "nzira yekumba ndeiyi rambai
makatarisa kwairikuyenda
ndikangokuonai kuno ku ground chete
ndirikukubhurai ende shamhu
dzandinenge ndatemha dzichaperera
pamuviri yenyu". Takangotarisana na
Spensor uyo akabva apfeka t-shirt yake
akanditi "handei kumba Orna" takabva
tafamba tichiyenda Ivo mukoma
Moment vachidzokera ku ground tava
tega ndikamuti "Hurryson anoda
kundijairira uye" zvikanzi "nyaya yekuti
anga achida kukurova ndainzwa kare
nevanhu vaanga achiudza anoona kuita
mukuru kwatiri obva ada kujairira vana
vadiki" ndikamuti "vese na Edmore
manje ndamuudza kuti mvura dzema
tap ekwavo vanogadzirisa
nekushandisa Purpose" akabva amira
"zvikanzi iwee Orna kah hameno hako
koo ukanoreverwa kwa sabhuku kuti
wananga vanhu hwuroyi unodii?"
ndikamuti "iyiii kuti vangazodaro here"
ndainge ndave kutotya apa kwaingova
kutaura senyaya yaingotaurwa nevanhu
mukufamba kuchinzi Purpose anenge
anoshandiswa kumba kwavo nekuti
ayitoita sekunge mushandi kumba
kwavo uye chero kunyenga
ayisanyenga vasikana zvichida nebhora
raayitamba ayidiwa nevakawanda asi
haana waayisvitsa shoko. Uye kumba
kwavo ayigara nasekuru na mbuya vake
vabereki vababa vake , asi baba vake
ndaitovaziva chero Mai vake asi vese
vakafa ini ndichiri mudiki kwakatanga
Mai vake baba vake vakazofa ini
panguva yacho ndaiva grade 5 uye
mukoma vangu na Purpose vaiva ma
best friends kubva pahwudiki hwavo
zvino Purpose kumba kwavo vaiva
vanhu vakabudirira uye pamba pavo
paiva nedzimba dzakanaka nekuda
kwekuti vana bamukuru nana bamunini
vake vaishanda kumadhorobha
vachivakisa dzimba dzavo kumusha
uye vachigarako nemhuri dzavo iyewo
vabereki vake vachiri vapenyu
ayitogarawo navo kudhorobha
achidzidzako kufa kwavo ndiko
kwakazomugarisa kumusha uye news
dzevanhu dzaiti vakaurawa nechirwere
chanhasi ichi. "Vanogona kudaro asi
hameno iwewe unofanirwa kuzivawo
zvekutaura Orna, apa ndirikutogaya kuti
dai tikasanorohwa na baba kumba"
akadaro ini ndichimutambidza ma bans
ake ndikamuti "ndeako tatengerwa
namukoma Moment ndiwo andanga
ndichitouya kunokupa" akayagamuchira
zvikanzi "hoo waitabasa iwe wanga
wadyawo here tora rako" akadaro
ndikamuti "ndadya ini tora ese hako..
apa ndavakutotya kuti Sekuru vanogona
kundiyendesa kumba kwedu hant kah
last time pandakarwa na Define
ndikamutema nedombo vakanditi
ndikaramba ndichiita zvekurwa
nevanhu vachandiendesa kumba
kwedu?" Ndakadaro zvikanzi "iyiii
hameno sha tichazoona ngatisvike
kumba kwacho asi tinosvika
tichinyarara kana vazonzwa nyaya
yacho vanotibvunza vega, asi obvious
Musi we Monday tichibva kuchikoro
muroad muchatomuka dhudhu
Hurryson ishamwari yehanzvadzi yako
Gilbert Zhou anonzi anorova uye"
akadaro ndikamuti "vanhu
vanongotaura akamborova aniko Giri
wacho anenge angotibata
timokukutsira plus tichatoudza vana
Webha kuti tifambe tiri group toita
zvekumirirana, dai sekuru
vakasandiyendesa kumba kwedu mhani
aah" kumba kwedu kwandaireva
maingova mu same village imomo
kunova ndiko kumba Kwa baba vangu
ini namukoma Moment kwainzi kwa
Zhou Inova zvekare ndiyo surname
yedu .Asi taigara kwa Mugari na sekuru
hanzvadzi ya mom nechikonzero
chekuti ndivo vainge vakatitora
pakupesana kwakaita Mai na baba vedu
mushure mekunge isu namai tasara
kumusha baba vachigara ku dhorobha
kwavakanoroora umwe mukadzi , zvino
baba vakazouya nemukadzi wavo
kumusha pachibva paita bongozozo
rakazokonzeresa kuti mom vangu
vanhonge danda vakarova mukadzi
wababa achibva ati ziii ku fainter
akanomukira kuchipatara uye
akanogaramo kwemazuva akati wandei
panguva yacho mom vangu vainge
vatosungwa. Nekuda kwekuti mhuri
yese yekwa Zhou yainge yoona
sekunge Mai vangu imhondi
zvakatitadzisawo kugara zvakanaka
mumusha kusvika sekuru baba Spensor
vazotitora panguva yacho ndaiva grade
7 mukoma Moment vaivawo form four
uye vaitonyora ma final exams
pamazuva yacho iyoyo zvakavavhiringa
zvekuti ma results avo paakazobuda
vainge vaka failer ,baba vedu vakabva
vangotifuratira semunhu ayinge ava
nemhuri itsva uye sekuru kutitora
kwavakaita Mai vangu vainge vazono
chajiwa ku court makore anoverengeka
varimukati vachinzi yaiva attempted
murder, isu kumba kwedu kwa Zhou
taiyenda pano ne apo nekuda
kwekuona setayisarudzwa, mukoma
Moment pavakatangawo kuziva kubata
batawo zvibasa zvemaoko ndivo vainge
vondibhadharira school fees and also
kunditengerawo zvipfeko zvinova
zvaayiita kuti Sekuru na mbuya
zvivarerukirewo.

*Stay tuned.........*
https://chat.whatsapp.com/K1tH8zJ3i
3cEtOZw0Dtrhp

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl

ȱPress apa ndokumbirawo uyise like


Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.

*̗ORNAMENT̗*
WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*
*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 3*

Zvinhu zvacho pakuzvifunga zvanga


zvavakuita sezvinoda kundiwandira
ndakazoti ndavekusvika kumba
ndokufunga zvekare kuti ndainge
ndanyararira sekuru pavayindidana
ndichimhanyira ku ground sekwainzi
handidzokeko kumba kwacho
"kunyarara uku kutya here Orna"
akandibvunza kudaro Spencer
ndikamuti "haungambo nzwisisane
nemabororo angu Sha" akabva aseka
achitovhura gate. Takafamba
tichinopinda mukati ndokuwana vese
sekuru na gogo varipo "Koo matodzoka
rapera here game ndeyipi ya winner"
vakatibvunza kudaro sekuru
vakadairwa nemwana wavo achiti
"tasiya vave pa second half tanga
tichitobhowekana isu tikati better
kudzoka kumba" akadaro "na Ornament
wandinoziva chaiye kubhowekanawo
nekubhora?" Vakabvunza kudaro gogo
ndikavati "zvinhu zvinongochinja gogo"
vakabva vaseka vese nasekuru
"magona madzoka kumba
kuchakachena" vakadaro Sekuru
vakadairirwa na gogo vachiti "vagona
shuwa ndizvo tiwanewo vekutuma,
zvino mazokanganisa pakusiya vana ku
ground kwacho hant dai mauyawo
navo?" Vana vairehwa ndi Cosmas na
Simba vanin'ina vake Iye Spencer
"vanotevera plus hapana pavaizobvuma
kuuya nesu bhora risati rapera plus
Moment ariko" akapindura kudaro
mwana wavo ini ndakanyarara
"Moment wei naye shuwa
tingamboverengera kuti ku ground kuna
Moment here angakonewa kuita
zveshamwari dzake nevezera rake
achiti kwanzi kunana Corsy vanhu
vanoziva nzira yekumba haiwaa
tovaona vauya" vakadaro gogo
vachitosimuka ne fish dzavo dzerudzi
rwe muramba dzavaigadzira uye
dzandisina kuziva kuti dzabva kupi .
Ndakazosimukawo kubva pavheranda
pandainge ndakagara kwavekutanga
kubata batawo zvibasa zvepamba
uyuwo Spencer ayinge ayenda
kunotinha mombe ini ndichisara
,sekuru vangu vaiva
nechimudhudhudhu (motorbike) Saka
vakazobuda nechigubhu chi five litters
chavo chavaishandisa pakunotenga
fuel kuma shops kunova zvekare ndiko
kwaiva neground raitambirwa bhora
kwatainge tabva.

Ini kubva zvavakabuda hana yangu


yakasara isina kugadzikana
zvakaoneka chero na gogo vakasvika
pakundibvunza kuti "zvawakango
dzikamira dzikamira kasi wadzoka
kubva kubhora wave kurwara here nhai
Orna?" Ndakamboda kuti ndivaudze
chokwadi sezvo gogo vangu vaiva
munhu anonzwisisa uye anotaurika
naye than sekuru "ayewa hah kana ndiri
right zvangu ini gogo" ndakavadaro
zvikanzi "hoo pakanaka". Ipapo
ndaitorongedza ma plates andainge
ndabvisa pachitanangare anova
zvekare andainge ndasiya ndasuka ,
pandakanzwa mabhero emombe dzedu
kurira ndakanzwa kumwe kurerukirwa
nekuda kwekuziva kuti Spencer ayinge
adzoka zvaizondiitirawo nyore kana
chaizobvondoka tiri pamwe chete.
Achipedza kuvharira mombe akabva
awuya achigara mu kitchen mataiva tiri
ini na gogo nguva dzacho ndaitotanga
kupambira poto kuti ndibike sadza
Sekuru vakabva vasvikawo vayina Cosy
na Simba ini na Spencer
takangotarisana vachipinda mumba
zvikanzi na gogo "mavawanira kupiko
ava izvezvi ndichiona kunze kwava
kusviba kudai vasati vasvika ndanga
ndava kuda kutotuma Spencer kuti
avatevere" vakadaro zvikanzi naivo
sekuru "ndavawana kumashops ikoku
bhora ranga ratopera haro zvino ndini
ndazova nonotsa kuuya because
ndazenge ndayenda navo kwa Dhliwayo
uko" vaDhliwayo vacho vayivawo
chairman wema youth emusangano
wenyika zvikanzi na gogo "horaiti
mafamba mushe zvenyu?" Sekuru
vakadairawo zvakanaka vakazoti
"Spencer na Orna taurai nyaya yenyu
tinzwe chii changa chaitika ku ground
pamazodzoka kumba ende ndoda kuti
mundiudze zvekare kuti chii
chakutumai kuti munyepe time
dzamasvika pano pamba Cosy enda
unonditemherawo shamhu yemutohwe
panze apo". Ndichinzwa zve shamhu
ndakakurumidza kuti "sorii sekuru
nekunyepa kwatayita asi inini yanga
isiriwo mhosva yangu patime
dzandabva pano paye
ndichinoyambuka rwizi..."
Ndakayenderera mberi nekuva
tsanangurira muitikiro wazvainge zvaita
zvikanzi na gogo "ayewa haah vana
hapana chamungavarovera apa baba
Spencer dai kuri kurova iyeuye
Hurryson ndiye anotoda kurohwa
anoriwanepi simba rekusimudza ruoko
achirova vana vevanhu sei asina
matyira apa handisi kuti kurwisana
kwevana kana vachitamba kunze uko
chinhu chakanaka asi kuti ava
vanotenderwa kumukutsira nekuti
mukuru kwavari vese ava plus anga
misidzana na Orna imi munoona
zvichiita here izvozvo?" Vakabvunza
kudaro gogo zvikanzi na sekuru "Ndoda
kuvarovera nhema next time
ngavadzidze kutaura chokwadi vangava
vari ivo vakanganisa kana
kukanganisirwa vana ngavave
nemiromo inobudisa chokwadi"
vakadaro vakanzi na gogo "vanozviziva
vana kuti munongovarova chero
nepavanenge vasina mhosva
ndokusaka vachizokuudzai nhema iri
nzira yekuzvi protecter kwavanenge
vachiita nhaimi muri mubereki rudziiko
asingagone kumiririra vana vake
munondiudza here kuti izvezvi
tikayenda kwamai Luke tinowana vese
nemurume wavo vachirova mwana
wavo Hurryson ndizvo?" Vakadaro gogo
vakanzi "munotunhidzira vana zvakaipa
imi ndati vana havafanirwe kunyepa
mhani ndiye adenhewa ndiye atadzirwa
Ornament saka chazomupa kusvika
pano vese vachinyepa chii". Sekuru
vangu vaiva nenharo vakatanga
kunetsana na gogo kusvika gogo
vazopinza imwe nyaya vachiti "imimi
muri perfect here naihwo hwu councilor
hwamuriku protester kuda kuva
murikungoita chipfambi wani kunze
uko" nyaya iyoyo vainge vambobva
kuinetserana pamazuva ayinge
achangodarika Ivo gogo semunhu
ayitevera zveku church vaisafarira
zvemusangano chero musoro mavo
vainge vaine short hair asi vainge
vazotengawo wig kumashops
takatoyenda tese ndikavabatsira
kuisarudza ende vainge vavekuipfeka
pese panoitirwa musangano iri nzira
yekuteverera sekuru.

Vakayenderera mberi nekunetsana


kwavo kusvika sekuru vazobuda kubva
mu kitchen mataiva tikasara na gogo
asi mumba mainge mava nerunyararo ,
mukoma Moment vakazosvikawo tava
pakati pekudya vakapihwa plate yavo
ndofunga naivowo vakaona runyararo
rwaiva mumba kusvika vati "gogo
mukagodya makatsikitsira kudaro
kwakanaka here" vakanzi "kupiko
Moment ndivo vaye sekuru vako
vanoda kungotemesa musoro zvisina
kana nebasa rese" mukoma semunhu
mukuru kuda vakazvibatanidzawo
vakaona kuti kwaiva kukonana
kwevakuru vachibva vangonyararawo.
Takazopedzisa kudya tikaparadzana
tichinorara ndisati ndabuda mu kitchen
ndikanzi na gogo "mangwana
tizokasika kumuka Orna because izuva
reku church" ndikavati "horait gogo"
ndakananga muimba yangu pakuti
paingova nezvivakwa four pamba
pacho uye dzese dzaiva dzimba
dzemarata chero kitchen yedu yaiva
hayo yeround asi yakapfirirwa
nemarata uye muraini dzaiva dzimba
dzinoverengeka dzainge dzichiri
neroofing yakadaro pamba pasekuru
vangu paitoverengerwawo pavanhu
vane life irinani muraini medu , paiti
Kitchen kozoti one room yaiva payo
yega yaishandiswa na Spencer na
mukoma Moment then pouya two room
dzine ma doors rimwe nerimwe
rayizvibudura rega imwe yaiva yangu
imwe iri ya Simba na Cosmas then
Imba hombe yaiva ne four rooms
kunova kwaiva ne bedroom yana gogo
dzese dzainge dzaka plastwa
dzakapendwa ne yellow muzasi muine
black and also dining room chero tv
tayitomboonawo kana kuchipisa kuine
zuva because paiva ne solar panel
vamwe vavakidzani vaitombouya
kunochajisa maPhone avo. Ini usiku
ihwowo ndakangorara ndichifunga kuti
Monday kana kurikunzi kwaizoitika
dhudhu nana Hurryson taizozvifambisa
sei musi iwoyo handina kurara mushe
ndichingofunga uye kuronga
nekurongonora type yemakandiro
andaizoita chibhakera uye nema parts
andaizonanga kuti ndigone kuzokurira
munhu, kuseni kwezuva rakatevera
ndakakurumidza kumuka ndokutanga
nekunochera mvura tese na gogo ndiro
raiva basa redu rekutanga every
morning chero ndichiyenda kuchikoro
ndaisiya ndachera mvura tapedza zve
mvura takaita mamwe mabasa epamba
asi mazhinji ndini ndaiyaita nekuda
kwekuti ndizvo zvandainge ndaka
trainwa na gogo vangu. Takazoyenda
ku church masikati Inini, gogo na
Simba tisu tega taingoyenda vamwe
vainge vasisayende kuda kwaiva kukura
havo nekuti kumashure kwese
taisimboenda tese semhuri vari sa
mukoma vangu kubva mazuva
avakatanga kuita zvibasa zvavo
zvemaoko havana kuzomboyenda
kuchurch taipinda ZCC ini ndaitova ne
uniform yangu yakaperera ye navy blue
skirt ,shirt ye white and also dhuku re
navy blue , paiva nekamufambo kubva
kumba zvekuti tainosvikako taneta asi
musi iwoyo ndakasvirana nesong yangu
yandaifarira ndakangogadzika plastic
raiva nechigubhu chedu chemvura
yekunwa pasi pemuti patayigadzika ma
bag ndokufamba ndichisiya gogo
hameno zvavainge votorawo kubva mu
bag ravo asi ndakabvapo
ndavekutoombera maoko ndikasvika
nekungo joina vamwe vasikana vaviri
vaidzana. Tapedza kudzana takayenda
kudivi nevanhukadzi mu ground
muchipindawo vanhurume pakudzana
munhu ayiimba song iyoyo ndayinzwa
sekunge ayiishaura zvakaneta neta
ndichibva ndamutorera ndikaishaurura
pamusoro ndakatoona vamwe vasikana
vachitarisana uye kusekera kudivi asi
handina kuita hanya nazvo.

Church yakazopera tikadzokera kumba


next day yaiva Monday kuseni
pakuyenda kuchikoro ini nevepedu
takakurumidza kubuda pamba
zvakatoshamisa vanhu vepamba kuti
sei tanga tamukira kudaro ndiwo
zvekare musi waidzokera mukoma
moment ku Mazowe kwavo kubasa
zvekuti vakatomboti tivamirire
tozobuda tese asi takaramba. Tabuda
kudaro takanogara kumhiri kwerwizi
tichimirira vamwe sezvo tisu taiva
nenyaya yedu kwakatanga kusvika
imwe shamwari ya Spencer akaudzwa
zvaivapo tichiwirirana kuti tese team
rekumaraini kwedu taizoita chikutsi
kana vana Hurryson vaizoda kumutsa
dhudhu nesu "koimimi muchiri pano
nenguva dzamabudira kumba paye?"
raiva voice ra mukoma Moment
rakadaro tese tikavhunduka
taisatarisira kuti vachauya neroad iyoyo
"tirikumirira vamwe plus kwanzi tiri
kupinda masikati" ndi Spencer
akapindura kudaro Ivo vakati "Mese?"
Akati "ehe" zvikanzi "horaiti iribho
tobatana" vakabva vayenda tichisara
paye. Takamaira kusvika taona kuti
team rese rataitarisira kuti rivepo
rakwana tichibva tavaudza zvaivapo
vamwe vakada kutsika tsika zvekutya
fight kusvika ini ndazoti "kana zviri Izvo
zvekuti one wekumaraini kwedu akada
kurohwa imi muchiramba next time
anenge avakuda kurohwawo ini
handipindirewo hant kah Spencer?"
Akabva adaira Spencer wacho akati
"obvious togara taziva kuti kuside
kwedu kune zvikwata zvikwata"
zvikanzi neumwe mukomana ayinzi
Justin "ayewa gen'a ngatibatanei tive
team one hapana one wedu anorohwa
kana team reuku richizoda zvebotso
nesu tinongovati vasikana vekwavo
same neku boys vapinde nevekwedu
isusu toronganga chete kana
kuvasikana topinza Ani nani" akadaro
ndikati "inini first because ndini muridzi
wenyaya saka kana vachitoda zve
dhudhu tinototsokotana vasikana
vekwavo ndinovamenya size ino fita" .
Ndakadaro ndichikanda chibhakera
mumhepo "yeeeeeeeee Orna Orna
Orna" vakatanga kudaro vamwe vangu
zvekundikuziridza tichibva tafamba
tichibvapo apa musi wacho kutsoka
ndainge ndakapfeka ma pumps angu
manyowani andaida kunoonekera nawo
kuchikoro ndichibva Ndati uniform
yangu skirt ye meroon ne shirt ye white
satchel re black riri kumusana. Musi
iwoyo takayenda kuchikoro tichibakirwa
ende tiri muroad taiyenda tichiimba
zvayiitawo kuti rwendo rwuve pfupi
sezvo paiva nemufambo about 2km
kubva kumba. Takasvikira vanhu
vachitoyenda ku assembly , after
assembly takazonopinda muma class
zvikanzi neumwe musikana ayinzi Prog
"Orna simuka udzime board" vanhu
vese vakabva vaseka apa iye
akazvitaurira achiziva kuti nehwupfupi
hwangu ndaisazogona kudzima rese
kusvika kumusoro ndikamuti "handidi
zvemuyedzo Prog kana une
zvaurikutavaga unogona kuzviwana"
zvikanzi naiye "zvei zvandinotsvaga
pauri Orna chokwadi chitsva chiri
murutsoka wabva wauya kunotiratidza
kuti wakatengerwa ma pumps
manyowani" vamwe vakabva vaseka
pakuti iye ndiye ayiva pamusoro pedu
tese pakuwana ayiva muzukuru wa
Purpose mwana wehanzvadzi ya baba
vake saka kumba kwavo sezvo kwaiva
nekakuwana kavaiva nako iye ayiwana
zvimwe zvinhu kutidarika ndikamuti
"urikurwadziwa nei sekunonzi imari
yekumba kwenyu yakatenga zibenzi
ndokusaka uchiwachirwa mapants na
Purpose" ipapo vanhu vakabva
vamuseka zvakamubhowa. Ini
ndaingoona Purpose achiita mamwe
mabasa anoda vanhukadzi kumba
kwavo ndaisaziva kuti munhurume
anogona kuzviwachira hembe sezvo
kwedu ini na gogo taiwachira vese vana
Spencer na mukoma Moment nekukura
kwavo ikoko zvino Purpose pandayiona
achiwacha zvaitondinetsa asi zvekuti
anowachira Prog chaingova chituko
chakangouyawo mandiri "wotosimba
nekunodzana ku zcc kwenyu kuti
mweya ukurumidze kudurura nyasha
sekuru vako vaitewo Councilor
ugotengerwa dzimwe bhutsu maybe
ungasvikawo pa level rangu" akadaro
pakuti sekuru vake vanova samusha
vekwana Purpose ndivo vaiva Chairman
wedunhu rese kumusangano ndikamuti
"yevabereki yawavakupinza iyi
wavakutambira kusiririko manje Prog
ncxaaa dzinza rakaro.." ndisati
ndapedzisa kutaura ma'am ve
commerce vakabva vapinda vakasvika
vachiti. "Urikuita noise yeiko nhai Shoti"
vaidaro kwandiri vamwe vakaseka asi
nekuda kwekuti ndi teacher hapana
zvandaikwanisa kuvaita pakundidana
vachiti Shoti. Svondo rese rakapera
pasina nyaya kana dhudhu yainge
yaitika takazoti yava Friday
tisingambozvi fungire tichibva
kuchikoro tayifamba tichitoimba
ndokusvika mune rimwe rwizi rwunonzi
Chaguba tikawana takamirirwa nana
Edimore ndingangoti vana vekwana
Purpose kusanganisira Prog pamwe
chete na Hurryson uyo ayisava hake
neukama navo vari mashamwari na
Edimore uye shamwari yake Gilbert
anova hanzvadzi yangu yekwedu kwa
Zhou takada kupfuurira zvikanzi na
Prog "Ornament ndanga ndakatomirira
iwewe" ndikamuti "kuti ndidii tinotamba
tese here" zvikanzi "usandipindure
kunge urikupindura mbuya vako mwana
wako kah Sha handisi mwana wako mai
vangu hauvazive" akadaro ndikamuti
"iwe ndovaziva Mai vako but handina
basa nave plus ndinei nekuvaziva ivo
vakaita zvekukumitiswa blatshit ndizvo
zvinokupa kusaziva dzinza rako"
chokwadi ndicho chimiro chaiva paari
neupenyu hwake akanditi "zvirinani
ndinotovaona Mai vangu panewe vako
varikujeri because imhondi" . Giri
akabva aseka zvakazviratidza zvega
kuti ane zvaanga ataura zvine chekuita
namai vangu kuvanhu ava uye iye
kwandiri ayiva hanzvadzi Ari mwana
wabamunini munin'ina wababa vangu
"wati chii Prog" Ndakadaro
ndichidzikisa satchel rangu kubva
kumusana kwave kurikandira pasi
nehasha ndikafamba ndichiyenda
paayiva iye achisimukawo ndikatanga
ndiri ndini kumu mwaya zvibhagera
naiyewo ayizvigona futi akati ayiva
murefu kwandiri "Iwe Spencer haunyare
kuda kupindira here siya vasikana
vapedzerane" ndi Edimore akadaro iye
Spencer ndaimuona achiswederera
pataiva akapfumba chibhakera
"maaaaama kani ndarohwaa
pazamuuuu" ndakabongomora mhere
ndichidaro ayinge andinama nechi fight
pazamu ndikanzwa kupindwa nechando
muviri wese vamwe vekuside kwana
Prog vakatanga kuseka vachiti "Prog
Prog Prog" vachimukuziridza ipapo
Spencer nevamwe vekwangu vanga
vave kundinyararidza tikatanga
kufamba tichibvapo ndichichema tave
kusvika kumaraini ndainge ndanyarara
asi ndichine kusuruwara pachiso
semunhu anga ambochema vanhu
vachirongana zve next match vachiti
tanga tajumwa . Tichifamba kudaro
takasangana na sekuru na gogo
vachiratidza kuti vaiva parwendo
zvakaita kuti inini na Spencer timire
vamwe vakafamba vachinotimirira
kumberi "kowanga uchichemei nhai
Orna warohwa nani" vakandibvunza
kudaro gogo zvikanzi na Spencer
"varwa na Prog" zvikanzi naivo gogo
"Prog upi wekwa Maticha here" zvikanzi
naiye Spencer "ehe .. koo murikuyenda
kupi" akadairwa na sekuru achinzi
"horaiti chiendai kumba murege
zvekurovana nevanhu izvozvo
pamuromo muite pashoma Iwe
Ornament urikuzvinzwa?"
Ndakagutsirira musoro zvikanzi na
gogo "sorry muzukuru chiyendai kumba
mutarise vana ndizvo kah hatizive kuti
tinodzoka nguvai" vakadaro zvikanzi na
Spencer "kudzoka nguvai muchibvepi
murikumboenda kupi apa" kukanzi
nasekuru "tirikuyenda ku Greendale
kunoona Moment kwanzi akasungwa
nezuro akabatwa aba mombe, saka imi
mumire kuudza vanhu kumba ikoko
kusvika tadzoka regai tinonzwa kuti
zvakafamba sei".
*Stay tuned..........*

https://chat.whatsapp.com/EU480VMb
YHe5E7Lk2U4NLR

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl

ȱPress apa ndokumbirawo uyise like


Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.
*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI
*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 4*

Mhinduro ya sekuru nezvavakataura


zvinhu zvandainge ndisina kutarisira
ndikavati "mukoma Moment
vakasungwa? Ayewa mapurisa iwayo
arikutonyepa mukoma vangu havasi
mbavha" ndakadaro ndavekuda
kutochema zvikanzi na gogo
"hazvitaurwe kuvanhu izvozvo
chiyendai kumba tione tokuonai kana
tadzoka" vakadaro vachindi pusher kuti
ndifambe same na Spencer
vakamupusha futi asi ndaisatoda
kufamba kwacho Ivo sekuru na gogo
vainge votofamba Kuyenda . Ini
ndokumira Spencer akamirawo tichibva
tatarisana akanditi "wamirirei handei
kumba Orna" ndikamuti "ndavakutevera
vana gogo ndirikuda kuyendawo ini koo
vakasazodzoka mukoma Moment
sezvakaita mhama vangu" ndakadaro
ndichidonhedza musodzi "ayewa
usatevere unogona kuzorohwa na baba
handei kumba Orna vanodzoka
mukoma vako Moment haasi mbavha
uye" akandidaro achindibata ruoko tave
kusvika patainge takamirirwa nevamwe
akanditi "chipukuta musodzi vanhu
vanozoda kutanga kuziva kuti
wavakuchemei futi iwewe wanga
wambonyarara" akadaro ndikapukuta
misodzi "asi zamu ririkunyanya
kurwadza here Orna vana gogo vako
wavaudza here dai vakasangana naye
vagomubhura muroad Prog akapusa
stereki" ndeumwe musikana ayinzi
Vimbai akadaro akadairwa neumwe
ayinzi Nancy achinzi "iyii zamu
rinorwadza asikana ukagumwa ne
mistake unotonzwa kupindwa
nechando mumuviri wese kuzoti
paunopihwirwa fight arwadziwa hake
Orna plus anorova kauyu inyaya yekuti
ajumhiwa chete hant nhasi yi Friday kah,
upedze weekend yese uchimugayira
horror iwe Orna then Monday
womutsika size" . Vanhu vakaenderera
mberi nekudairirana nyaya ini ndainge
ndanyarara asi Spencer ndiye ayipota
achivadaira takanosvika kumba
ndichinzwa kusurukirwa kwakanyanya
mandiri zvekuti chero chibage
chatakasvikira chabikwa ndakangodya
one chimuguri ndikasiya "tora chimwe
kah even mapudzi Aya ini handisi
kuyada" akadaro Spencer ndikamuti
"ndaguta ini ngatisiire Cosy" ndiye
ayinge asati asvika kubva ku chikoro
Simba takawana adzoka achitotamba
nechishamwari chake pamba. Chimwe
chayiita kut Spencer anditi nditore
chimwe inyaya yekuti ndaiwanza kudya
three kana four miguri yechibage chero
mapudzi ndaiwanzo kuyachovha
zvakanyanya , musi iwoyo takazovirirwa
tiri tega vana gogo vasati vadzoka
chikafu chemanheru ndakangobika
sadza tikadya nemukaka wakakora.
Kuseni kwezuva rakatevera ndakanzwa
karadio kemu bedroom mana gogo
kachirira ndikaziva kuti vakadzoka asi
nekuda kwekurarisa handina kuvanzwa
time dzavakadzoka, ndakasiyana
nezvavo kwave kunanga pachiroom
chevakomana pandakano gogodza
zvikanzi na Spencer "ndiyani" ndikamuti
"vhurai door kasi muchiri makarara
zvekutodaro here" . Akabva awuya
kunovhura akamira padoor achiti
"koiwewe unotomutsa vamwe
zvekudaro here sha" kumira kwake
ndaitodongorera mukati ndikamuti
"Kasi mukoma Moment havana
kudzoka here ndanzwa karadio
kemumba mana sekuru wani vakauya
nguvai" zvikanzi " Moment handina
kumuona chero Ivo vana Mai time
dzavakasvika ndakavanzwa
pakahukura imbwa asi handina kumuka
ndanga ndakatofa nehope Sha"
ndikangomuti "hoo iribho rega
ndimbonochera mvura" ndakafamba
ndichibvapaari iye kwavekusara
achivhara door zvekudzokera kunorara.
Ndakanotora mugomo wangu mu
kitchen kwavekuyenda kurwizi asi
ndaizvinzwira mukati memoyo wangu
kuti mukoma vangu vakatosungwa
zvekusadzoka kumba , ndasvika kurwizi
ndakanoitawo luck rekunowana kusina
kana munhu ipapo ndaichera mutsime
chaimo pandakanosiya mugomo
kumba ndichidzokera wepiri
ndakawana kutsime kuina gogo vangu
Mai vababa na tete Conciliar hanzvadzi
yababa uye vainge vachiri musikana
ndivo vaiva rugotwe mumba mana baba
vangu vainge vakazvarwa varipo five
baba vangu ndivo vaiva first born
"mamukasei gogo" ndakavamhoresa
zvikanzi "mhoroi kani vama Ndlovu
kurisei kumba vamukasei sekuru na
gogo" ndikavati "varibho" zvikanzi
"horaiti ndaitoti ndichatumira mwana
kana uchikwanisa nhasi chero weekend
inotevera iyo uwuye netsaga
munotemha mabagwe ekugocha
kumunda" ndakabva ndavati "horaiti
gogo ndichauya maitabasa" ndakadaro
zvikanzi na Tete "simba rekuuya
kunotora chibage unoriwana kah asi
rekupota uchiuya kuti tiyende kumunda
kunosakura hauriwani mese henyu na
Moment anotadzawo kutengera mbuya
vake chero cup ye fertilizer zvayo".
Vakadaro Tete Concy vakanzi na gogo
"Iwe Conciliar rega kudaro vana
vehanzvadzi yako ava vakatora miguri
muviri mutatu munda wese ungabva
wapera here" zvikanzi naivo Tete
"chibage havarambidzwe kuuya
kunotemha asi ngavapote vachiuyawo
kunosakura" Tete Concy vaida
kutosimudza hasha dzangu pamusoro
pe stress yandaiva nayo plus zamu
randakarohwa na Prog rainge richiri
kurwadza ndakabva ndavati "kana
makaendesa Mai vangu kujeri
muchifungidzira kuti tichabvuma
kuitwa mabhanditi nemi
muchitishandisa kusakura
munotozvinyepera ini handiuye
kunosakura plus kumunda kwasekuru
vangu chibage chakazara
ndozvinokupai kudanana na Mafunga
muchitemherwa nhengeni kudangi
vamwe vakangwara vachidanana
nevakomana vanovatengera ma
biscuits" zvekudanana kwavo na
Mafunga ndaisava nechokwadi nazvo
asi kuti ndakangovaona vachifamba
vese kuda vaingofambidzanawo road,
Mafunga ayizivikanwa nekutemera
vanhu huni muraini kunyanya vaye
vanenge vachida kutemerwa
dzakawanda zvekuda kuzadza ngoro.
"Amai hant murikumunzwa kah
muzukuru wenyu mashoko ake
ndokusaka wakarohwa na Prog nezuro
nekuti hauna mukanwa Ornament"
vakadaro ndikavati "maivapo here
pandakarohwa na Prog wacho"
ndakatoziva kuti ndi Giri anga asvitsa
shoko zvikanzi "takangoita zvekunzwa
koiwewe wakandiona ndichidanana na
Mafunga ini?" Zvoratidza kuti zvanga
zvavarwadza ndikavati "wacho
akuudzai kuti ndakarohwa na Prog
mumuudze kuti kwanzi neni dzinza
rinambuya vanosvodzesa mimba
dzemhuri" vakabva vatarisana na gogo
"mashoko makuru kudaro unoyawanepi
nhaiwe Ornament" vakandibvunza
kudaro gogo ndikavati "Tete Concy
ndivo vanditanga vanofunga kuti
ndorarama nemabagwe ekumunda
kwenyu ini ncxaaa baba vangu
havatozive kana kunditengera pencil
wani asi kuchikoro ndinongoyenda
kuzoti zvibagwe zvinofufutira hazvo"
Ndakadaro ndichitosimuka kubva
pamugomo wangu wandainge
ndakagarira ivo Tete Concy
vachitobudawo mutsime ini ndichida
kuti ndipinde ndicherewo yangu mvura.
"Uyu mwana anongooneka kuti
kumusha kwamai vake
kwaanochengetwa havamurovi
akaregeredzwa stereki" vakadaro Tete
Concy ipapo gogo vanga vakamira
vakabata muchiuno vakashama
muromo wavo zvekushamisika uye
vakanditarisa ndikati "hamundiudzire
zvekuregeredzwa sekunonzi munoziva
size yebhutsu dzandinopfeka kana
kuita sekunonzi munonditengera
manduwe munorwadziwa nei kana
ndakaregeredzwa nemiwo futi
makaregeredzwawo" ndakavadaro
vachibva vaita hasha zvikanzi "ndoda
kukukwatura" vakadaro vachiuya
pandiri ini kwave kusiya mugomo
ndikamhanya ndichitiza "ndichakubata
ende ndoda kukurikita size hauna
chinoyera pauri uri mwana wehanzvadzi
yangu iwe" vakasheedzera kudaro
ndikavati "zimukadzi ra Mafunga"
vakada kundidzokera ndikatiza ipapo
paitosvikawo mamwe madzimai
patsime. Ivo Tete ndofunga
vakatsiurwa na gogo kwave kusenga
migomo yavo vachibvapo ini ndikasara
ndichisvika zvikanzi nevamwe vainzi
Mai Monica "Koo pamuromo wakafana
Ani nhaiwe Orna shuwa ungasheedzera
zvekutukana natete vako kudaro?"
Ndakangovati "aah Ivo ndivo
vanditanga".
Vakangoseka havo vachidairirana
nevamwe vavo ini ndainge
ndochereredza mugomo wangu
ndapedza ndakautsiga ndokufamba
ndichibvapo patsime ndikasangana na
Jaqueline musikana wa mukoma
Moment asati andimhoresa ndaitonzwa
kuda kumuudza kuti mukoma
vakasungwa asi ndakazofunga kuti
gogo na sekuru vakati timire kuudza
vanhu. "Hesi Kani Makoti"
ndakamudaro zvikanzi "hesi kani tete
koo mukoma wenyu arikupi phone yake
haisi kuita" ndikamuti "handitombozive
ini ramba uchizama kuvafonera maybe
kwavari hakuna network.... mamukasei
ambuya" ndakapedzisa kumudaira
ndave kutomhoresa Mai Madzinga
vandaiwanzo diridzira garden ravo
vachitipa madomasi isu kwedu hakuna
ayiita zve garden "hesi Orna uribho here
next weekend wozouya kumba kungoti
nhasi ndoda kubuda" vakandidaro
ndikati "horaiti mbuya" hwaingova
hwumbuya hwekufanana mutupo na
gogo vangu Mai Spencer.
Takaparadzana na Jaquelin
ndichiyenda kwedu kumba Iye
achiyenda kurwizi kwandaibva asi
ayinge asina bucket , ndasvika kumba
ndakawana sekuru varipanze asi mood
yavo yakanditadzisa kuvabvunza nezva
mukoma Moment nekuti
ndakavasvikira vachikaripira Cosy
vachimutuma zvine hasha mukati
zvakaita kuti ndiperere
mukuvamhoresa chete gogo
vakazobuda kubva mumba mavo ini
ndavekutopedzisa kusuka
ndakavakwazisa zvekuvamutsa Ivo
vachinanga Ku kitchen ,ndivo vakabika
makuseni iwayo nguva dzatakapedza
kudya ndakarovera moyo padombo
ndikati "Koo makafamba sei nezuro
nhai gogo makavaona here mukoma
Moment inhema dzavaireverwa kuti
vakaba hant kah?" Ndakabvunza kudaro
ikadairwa na sekuru vakati "hadzisi
nhema ichokwadi iye akazvidaira
nemuromo wake kuti ichokwadi saka
akatosungwa arikuyenda Ku Court next
week izvezvi toda kumbosvika Kwa
Zhou tinovazivisa" ndakaita sendaona
madzengerere zvikanzi na Spencer
"Amana kah zvinozobuda here kuti Tete
vari mujeri mwana wavo opindawo futi
mujeri" nguva idzodzo ndakabva
ndasimuka ndichinanga mumba mangu
mandairara ndakasvika
ndikazvikandidzira pamachira angu
sezvo ndairara pasi kwave kutanga
kuchema ndichipfikura ndayinzwa
sekunge ndasiiwa ndega. Vana gogo
pavakabuda handina kumbovanzwa
Iniwo ndakaswera ndakazvivharira
ndichichema zuva parainge rorereka
ndakazonzwa gogo vachindidaidza asi
handina kuvadaira kusvika vapinda
vega vakanditi "nhai Orna muzukuru
wangu wobva waita sekunonzi uri
musango here isu tiripo wani vanouya
mukoma vako vese na mhama
vachabuda vodzoka kwatiri ndizvo
kah?" Vakadaro ndikavati "ndasiiwa
ndega" ndakadaro ndave kutobuda
musodzi zvikanzi "ayewa usafunge
uchidaro Orna" kwaiva havo kutaura asi
hazvina kundimisa kuchema
vakazongibudawo vachindisiya
ndikambobatwa nehope
ndokuzopepuka pandakanzwa vanhu
vachiimba kuti *asiri kuuya dhikondo
chimusoro chake dhikondo...vachiri
kumba dhikondo chimusoro chake
dhikondo* "ndivana Orna varikudanwa
nevamwe vavo" ndigogo vakadaro
zvikanzi na sekuru "zvirikuita noise
mhani zvivana izvi...hiwee endai kure
munoitira noise yenyu uko"
vakasheedzera kudaro apa song
yaiyimbwa ye dhikondo yaiva
yekudaidzana kuti tinotamba kuroad
usiku kana kuine mwedzi. Ivo vamwe
vangu ndofunga kuti vakashaiwa kuti
sei ndaisabuda nekuti ndini ndaiwanzo
kuyenda paroad nana Cosy ndotanga
kushaura zvekuti vamwe vaizobuda
mudzimba dzavo taizotamba ma
games akasiyana siyana toparadzana
kunze kwati ziii zvekuratidza kuti
ruzhinji rwevanhu rwarara asi musi
iwoyo handina kubuda ndaisava mu
mood.
Ndakazovavarira kumuka ndichinodya
chikafu changu chemanheru zvikanzi
na sekuru "Koo hauswedzi vamwe here
nhai Orna" ndikavati "maswera sei"
zvikanzi "taswera" handina kuwana
simba rekuvabvunza kuti Kwa Zhou
vainge vanonzii.

Zuva rakatevera hatina kumboyenda ku


church asi ndainge ndonzwa zvirinani
,then Monday ndakati ndasvika
kuchikoro kwainge kwakazara nyaya
yekunzi ndakarohwa na Prog kutaura
chokwadi ndainzwa kuti handina simba
rekuzvi defender panyaya dzacho
nekuda kwekufunga mukoma vangu,
ende vanhu vakandifamba mu class
day iroro ndakanyarara vamwe vachiti
kunyarara uku kutya Prog. Ndakazoita
pandakasimuka ndichiyenda Ku toilet
pandakabvisa pant rangu ndakaona
pane twuropa ndikaziva kuti kwaiva
kuyenda kumwedzi zvaisava zvitsva
kwandiri kaiva kava kepiri ndichiyenda,
ndakabuda mutoilet ndokunanga Ku
staffroom ndichida kunoona ma'am
vayiona nezve girls ndichida kupihwa
ma pads asi vakanditi "akapera
hakusati kwauya mamwe itoyenda hako
kumba Ornament" .Kumba ndaikufarira
zvekuti kungonzi enda kumba
kwakandiita kuti ndi gain confidence
plus ndakangonzwa kamufaro mandiri
Ndichisvika mu class ndakabva ndati
Kuna Prog "unodenha ende
unoonererwa nekuti kumba kwenyu
kune zvidhoma kunyarara kwandaita
nhasi hakusi kukutya asi ndirikutotya
kuiswa muromo paside" vanhu vese
vakabva vatanga kuti "hiii, hiii, hii"
zvekuratidza kuti ndainge ndataura
zvisingataurwi zvikanzi naiye Prog
"ndoda kunokutaurira kwa headmaster
Ornament uzozvimiririra mashoko Ako
iwayo" akadaro achisimuka ndikamuti
"enda putseki kureba ikoku utori
zigoritoto futi" . Iye achibuda ini
ndichitorawo satchel rangu
ndikakurumidza kubuda mu class
zvekutiza mhosva yangu ndichiziva kuti
paayizodzoka achiti ndaidiwa Kwa
headmaster ini ndinenge ndabva
pachikoro "Orna wava kutobhozva
kutiza kuchikoro kauku zvimwe hazvisi
kudaro hako shoti" ndeumwe
mukomana ayinzi Victor akasheedzera
kudaro ndave kubuda padoor ndikamuti
"pfutseqii mazino eyellow kunge
mapitckot ezvidhoma zvekwana Prog"
ndakamuona achisimuka kuda kuuya
kunondirova ndichibva ndatiza. Kumba
ndichinosvika handina wandakaudza
zvandainge ndaparamura kuchikoro ,
Spencer paakadzokawo akandiudza
kuti "ndasheedzwa na Headmaster
vakanditi ndiudze vabereki vangu kuti
mangwana vauye newe kuchikoro"
ndakambofunga kuti ayi joker asi
ndakazoona kurevesa kwake ndiri
mukumubvunzisisa kudaro takanzwa
izwi rakati "gogogoi pano"
takacheukirana tikaona ari Prog ,
Edimore na gogo vavo "svikai zvenyu
gogo Chirasha tigamuchire" vakadaira
kudaro gogo "nhaiwe Kubva kwavo
kumusoro kwa Maticha uko kuuya kuno
vavingei" ndakabvunza Spencer , Kwa
Maticha raiva zita reku village yekwavo
uye ndivo vatainge rakaganhurana navo
asi dzimba dzeku village ravo
nedzekwedu dzainge dzakabatana.
kusvika kwavo pamba hana yangu
yakarova "obvious inyaya dzako
ndakambokutsiura paye Orna
nekutaura zvausingazive hameno hako
na baba unovaziva" akandidaro Spencer.

*Stay tuned.......*
https://chat.whatsapp.com/HeC1BisVZ
Da4Id2D3cQI9n

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl

ȱPress apa ndokumbirawo uyise like


Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.

*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY
AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*
*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 5*

Ndakanzwa kutya kwakapeteka mandiri


"ukabvunzwa unoramba iwe"
akandidaro Spencer ndikamuti "iyii
ndovaudza chokwadi plus sekuru
havadi munhu anonyepa Sha"
ndakadaro tichibva taona Ivo sekuru
vachibuda muimba hombe iye Spencer
akafamba achibva pandaiva
"Ornameeeent" ndisekuru
vakandidaidza ndichibva ndafamba
kuyenda pavaiva zvikanzi "enda unopa
mbudzi idzo mvura" vakadaro ukava
muromo mumwe chete ndakabva
ndanopinda mu kitchen mainge
mapindwa nevanga vachangosvika
ndikatora mugomo ndokubudamo
ndichifambisa kwange kwatova kutiza
mhosva dzangu. Ndasvika kumvura
ndakambogarira mugomo wangu
ndichizeza kuchera uye kwaiva ku
delayer time kwekuti ndiwane vana
Prog vayenda asi ndakazokurumidza
zvekare kufunga kuti Sekuru vaizonondi
vhurumura ndikanonoka kupa mbudzi
dzavo mvura ndokusimuka kubva
pamugomo pandainge ndakagara
ndikatikura mvura kubva mudziva ndiri
muroad ndakambosvimha misodzi
ndava kufunga Mhama vangu
namukoma Moment kuti zvimwe dai
varipo vaigona kuzondimiririrawo
pamhosva dzangu, ndichisvika kumba
ndofunga ndakaonekwa kuti mveee
"ukatura mugomo wako wako ubve
wauya kuno Ornament" vakasheedzera
kudaro vari mu kitchen sekuru asi
nekutya plus fear yaiva mandiri handina
kuvadaira ndakangonodurura mvura mu
dish rayinwirwa nembudzi kwave
kufamba ndichibvako kudanga kuyenda
ku kitchen. Ndakapinda ndokusvika
ndichigara ndakazvipeta padhuze na
gogo zvikanzi naivo gogo "Koo
haukwazise vanhu here nhai Orna"
ndakabva ndatarisa vanhu vacho
ndikati "maswera sei Mai Chirasha".

Vakandidaira zvakanaka ndichibva


ndagumira ipapo "Koo vamwe vako
hauvaone here zvausingavamhorese"
vakandidaro zvekare gogo ndikavati "ah
havasi vamwe vangu ava" ikadairirwa
namai Chirasha vachiti "makakonanei
nana Prog nhaiwe Orna" ndakatanga
ndatarisa Prog wacho ndikavati "ndiye
akangonditanga tiri mu class... "
Ndakayenderera mberi
nekuvatsanangurira maitikiro azvo
zvikanzi "Koo na Eddy" ndichibva
ndataura futi."Koo pawakati Kuna Eddy
mvura yekumba kwavo vakacheresa
nekurombesa Purpose nepaurikunzi
nhasi waudza Prog zvekuti kumba
kwangu kune zvidhoma wakazvionepi
uye wakamawanepi mashoko iwayo"
vakandibvunza kudaro Mai Chirasha
ndikavati "handizvizive zvamurikutaura
kuti ndakadaro izvozvo" zvaisava nyore
kuti ndidaire hongu panyaya iyi
"idzodzo ndidzo nhema manje
urikungoramba hako but nyaya iyi itori
nema witness akawanda" ndi Eddy
akadaro ndikamuti "ndezvekwako
izvozvo inini ndati handizvizive"
ndakadaro nehasha zvikanzi na sekuru
"Ornament" vakadaro vakakwidza voice
zvikanzi nagogo "ayewa baba Spencer
regai kukwidzira mwana voice musati
manzwisisa mativi ese enyaya"
vakadaro gogo ndikaona Mai Chirasha
vachivatarisa vakati. "Zvimwe unotoona
kuti vana havangambonyepi because
Prog asvika achitaura nyaya iyi kumba
mushure mekunge Eddy akamboitaura
zvekare Musi warwa vana vepano
nemukoma uya mwana wekwa Mai
Luke anonzani zviye" vakadaro
vachibvunza vazukuru vavo zvikanzi na
Prog "Hurryson" mbuya vacho Kwave
kuti "ehee musi wavarwa iwoyo Eddy
akauya kumba achitaura nyaya yacho
kusvika paakataura kuti uyu Ornament
akataura kuti kumba kwangu
kwakarombeswa Purpose
,ndichibatanidza nenyaya yanhasi
inonzi yaitika nezvaataura kuchikoro
uyu Prog anoti asvika pakuno reporter
Kwa headmaster akasvikonzi Orna
ayendwe naye ku office asi asvika
asisimo achitonzi asiya atuka
mukomana wemu class mavo imomo
achitaura nyaya imwe chete
yezvidhoma. Ndasvika pandaona ndega
ndikati aya mashoko haana zera naye
mwana uyu zvichida pane
kwaakamanzwa , ndikasvikazve
pandafungira kuti zvimwe sezvo
mukoma wake Moment vachitamba
vese naiye Purpose wacho zvimwe ane
zvaakataura achiudza umwe wake
zvinova zvakazoita kuti uyu arambe
achiimba mashoko iwayo hatizivi
ndingatodawo mhinduro kubva kwaari
muzukuru wenyu uyu".

Vakadaro Mai Chirasha ndikaona kuti


ndainge ndaiswa pa Conner chaipo
"zvataurwa hant urikuzvinzwa pindura
tinzwe iwe Ornament" vakandidaro
sekuru ndikati "Koo Ivo varikutaura
zvezvidhoma chete sei vasiri kutaura
zvandakaitwa nevazukuru vavo plus iye
Prog ayirwadziwa nei pama pumps
angu nekuti akasvika paakanditi
ndiwedzere kudzana ku church kwedu
kuti Mwari vatiwanire nyasha sekuru
vawane kugadzwa hwu councilor
vagowanawo ma cents ekunditengera
mamwe ma pumps" ndakadaro Prog
akaratidza kupererwa asi haana
chaakapindura zvikanzi nagogo. "ini
hangu chandaona panyaya iyi kah Mai
Chirasha ndechekuti vana ava
vasangana vana handinzwarwo nekuti
tikada kuzvitarisasa nematauriro avo
unotoona kuti kukonana kwavo
kwaisanganisa kuzopinza vanhu vakuru
mukati uye mashoko avo anorema vese
zvavo hapana ayiva ne right yekutukirira
mumwe , Isu musi uno patakabuda
tichifambira nyaya yemukomana
wepano takasangana nevana vedu
vepano ava mu road asi uyu Ornament
ayichema pakumubvunza akati
ndarohwa zamu na Prog munozviziva
Imi kuti zamu inyama nhete uye inyama
inouraya asi hatina kuda kuuya kumba
kwenyu nekuda kwekuti tine
dambudziko ratainge takatarisana naro
plus takangoona kuti inyaya yevana uye
vairwa. Saka chatingaita ndechekuti
tirege kutora mashoko avo toyaisa
pahana asi kuti tibatsirane kuvaranga
zvekuti chero mangwana
pavanosangana miromo yavo ngaizeze
kubudisa mashoko asiriwo uye asina
zera navo". Vakadaro gogo ndikaita
sendichavaomberera maoko ndainge
ndakazvitarisira zvekuti
vachandireretsera sezvo nguva zhinji
vaimira neni kunyangwe mabatiro
avaindiita ndaitoona kuti zvimwe
vaipedzera shungu dzavo dzeshuwiro
yemwana musikana pandiri ,
vakayenderera mberi nehurukuro yavo
kusvika patakanzi tese inini, Prog na
Eddy taiva wrong uye tikatsiurwa
tichinzi hataifanirwa kurwisana
sezvatayiita. Vakazosimuka
vakawoneka Mai Chirasha asi
pakubudiswa kwavo kubva mumba
vainge votaura dzekusungwa Kwa
mukoma Moment vayenda kudaro Isu
tichisarawo gogo pavakadzoka mumba
vakanditi "Orna" ndikati "gogo" zvikanzi
"huya ugare apa timbotaura tinzwe"
ndakabva ndafamba ndichinogara
pavaiva nguva idzodzo sekuru vakabva
vapinda vakabata shamhu refu refu
ndikaziva kuti yainge yatemherwa ini
"ndakuregerera zvinyaya nyaya zvako
zvisina basa kwenguva refu hausi
mhuka iwewe Orna munhukadzi anoda
kuita sebhuru pano pamba?" Vakadaro
sekuru ndikamhanyira kuseri kwagogo
avo vaitosimuka vakati "ayewa mwana
wamurikuda kurova uyu kudzoka
kwaaita kubva kuchikoro masikati
machena adzoswa nekuda kwehwu
rwere saka hamungamurovi musiyei
inini mbuya vake nditaurirane naye
semunhukadzi tigonzwanana pachedu"
zvikanzi nasekuru "ibvai ipapo Mai
Spencer arikukura Orna uyu uchimu
protecter achiita zvinhu zvisina basa
izvezvi aramba hake asi mashoko
ataurwa pano ndozviziva kuti
akayataura dai vananga kwa sabhuku
kana kwa chief maizogona kunoimiririra
here nyaya yavo mainoiripa nei?"
Vakabvunza kudaro zvikanzi na gogo
"ayewa paresveka Tembo asi regai
kurova mwana Orna yava mhandara
hazviite kuti mumusimudzire shamhu
ngatizamei kugara naye pasi.. " vasati
vapedza kutaura vakabva vapushirwa
kudivi na sekuru ndichidhonzwa
"sekuru musandirove ndirikurwara kani
sekuru, sekuru munondiuraya kaaaani"
ndakatanga kuchema ndichidaro
zvikanzi "utye kufa usati washama
muromo wako iwoyo uchitaura
mashoko asina zera newe". Vakadaro
vachindirova ndakambourwa kusvika
pandakademba ndichiti "mhama kaani,
mukoma ndofa kaaani" ndakadaro kuda
zvakarwadza gogo na Spencer
vakabatsirana kubata sekuru Cosy
nekuside achivadhonzera shamhu
vaona kuti vakombwa.

Vakatarisa vanhu vese vakati "muri


marabishi mhaaani" ndizvo
zvavayitaura nguva zhinji kana
vatsamwa kwave kufamba vachibuda
mumba ini ndokusara
ndichinyararidzwa nevanhu vese. Next
day handina kuyenda kuchikoro
ndakaita two days ndichizviti ndairwara
serious asi kumwe kurwara kwainge
kwasangana kwekutya kunosheedzwa
ku office kwa headmaster, umwe musi
ndipo pandakazonzi na sekuru
"ugadzirire mangwana tirikubuda newe
kuyenda ku Mpaka Police station
Moment ati tizouya newe" musi wacho
vainge vabvako saka next day
ndakaendwa neni handina
chandainyanyanya kunzwisisa nezveko
asi patakasvika ndakaona sekuru
vachiita sevataurirana nemupurisa
vakadzoka pataiva na gogo vakati "ita
zvekukasika Orna zera rako
haribvumirwe pano Saka ndezvenguva
diki diki" ndakabva ndayenda kwavaindi
nongedzera kuti ndiyende
ndikabatsirwa nemupurisa wechirume
uyo akandiratidza pekugara asi
ndakazonzwa misodzi yangu ichiuya
pandakaona mukoma Moment.
"Mukoma koo makabirei mombe
dzevanhu nhaimi" ndakatanga
nekuvadaro ndaishaiwa pekutangira
chapo nekuda kweshungu plus pain
yandaiva nayo zvikanzi "Orna hanzvadzi
yangu urimwana mudiki zvimwe zvinhu
haungazvi nzwisise asi ndafara
ndakuona Saka urisei" Vakadaro
vachigara pa opposite chair neni
ndikavati "zvei zvandisinga nzwisise
inga maiti maiyenda kubasa wani saka
kumombe dzevanhu mainge
motsvagei" ndakavadaro zvikanzi
"kusungwa kwakaitwa mhama nekuva
kwavo mu Jeri kunokufadza here
Orna?" Ndakadzungudza musoro
ndikati "ayewa Chii chinofadza ipapa
izvezvi mese mava mujeri makandisiya
wani" ndakadaro ndichipukuta musodzi
zvikanzi "sorry hanzvadzi yangu but
hona kuside kuye ndakatombono
shanda zveshuwa asi kuti Mari
yandaiwana hapana chayaikwana
kushanda kwandayiita ndaisashandira
zvihembe zvataipfeka zviye zvimwe
zvinhu zvinogona kukunetsa
kunzwisisa because uri mwana Orna,
but ndaitozama kubatanidza Mari kuti
ndikwanisewo kupa Lawyer raizogona
kuti rimiririre mhama nekuti kusungwa
kwavakaitwa nematongerwo akaitwa
nyaya yavo hazvisirizvo. Munhu
akatonga nyaya iya ayiva hama
yemukadzi wa baba ende ayiva madhiri
ekuroverera kuti mhama pavanozobuda
mujeri baba nemukadzi wavo vanenge
vave pane chimwe chidanho neupenyu ,
asi munhu iyeye judge wandirikutaura
nezvake akatozosungwa
akasungirwawo dzimwe mhosva
dzaakapara anotovawo mujeri kutaura
kwatirikuita zvese izvi ndakaudzwa
nemumwe munhu wekwedu kwa Zhou
ikokuya asi une dzungu
handingakuudze Zita but munhu iyeye
ndinomuvimba saka uku kwanga
kurikuzama kuita zvekuti mhama
vabude nguva yavakatarirwa nemhosva
yavo hazvienderane sekuru ndakazama
kuvaonesa asi naivowo havana power
because hapana hwumbowo plus
varikumhanyidzana nezvavowo saka
madhiri acho akadhakwa sorry
hanzvadzi yangu ndanga
ndirikutozamawo luck ende yaitovawo
first time yangu ndichibva
ndangobatwa" mashoko amukoma
akandirwadza ndikashaiwa kuti ndodii
nawo nekuti ndainge ndaita mwana
paari. "Saka muchabuda rinhi ipapa"
ndakavadaro zvikanzi "handizive but
uchengeteke iwewe usashupe sekuru
na mbuya" ndisati ndavapindura
mupurisa wandakamboona achitaura
nasekuru akabva angosvika
seayimhanyiswa akati "ngatibudei
chisikana" ndakabva ndabatwa ruoko
ndichibudiswa kusvika padoor
akadzokera kwaiva namukoma Moment
ini ndichinanga kwaiva nana gogo,
takazobvako ndiri low low ndisingade
zvekutaura tichisvika kumba
ndakananga mu bedroom mangu
ndikateverwa na Spencer vese na Cosy
vaizhinya ndikavatarisa ndichishaiwa
kuti Chii chainakidza ipapo
"imbosekererawo Kani Orna" akadaro
Cosy ndikamuti "murikudei Chii
chirikuzginyisa ipapa kunge
makorokoza awona vakadzi
vanotengesa sadza" vakabva vaseka
zvikanzi na Spencer "imbomira zvekuti
tuka Sha wanga uchitsvagwa kah"
ndikamuti "nani" kamutauriro kake
kakaita ndinzwe kuda kuziva zvikanzi
"na footballer Purpo".

*Stay tuned.......*
https://chat.whatsapp.com/HeC1BisVZ
Da4Id2D3cQI9n

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl

ȱPress apa ndokumbirawo uyise like


Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.
*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*
*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 6*

Ndakaramba ndakavatarisa vana


Spencer ma smile avo ayiratidza kufara
zvese nekufarira ndikavati "Saka
kutsvagwa kwangu na Purpose ndiko
kurikusekesa here murikunyatsoku
farirei chaizvo" ndakavabvunza kudaro
zvikanzi na Cosy "panoti footballer kah
apa muzaya" akataura zvakandiitira
kunge ayiratidzira kahwu bharanzi
ndakaramba ndakamutarisa zvikanzi na
Spencer "iyii Orna Sha sorry horaiti kana
zvisina kukuitira bho but kutsvagwa
hakutyise zvakwene". Ndakabva
ndamuti "kutsvagwa hakutyise ehe but
imimi matauriro amurikuita
nezvamurikungoita Hameno
zvazvingori Soo zvine kubhowa mukati"
ndakadaro zvikanzi na Cosy "hah sorry
sha asi footballer vanga vachikutsvaga"
ayida zvekusimudzana neni hake
ndikamuti "huro kunge chimbwa
sungata" ndakataura ndichinzwa
chigodo pahuro chehasha vachibva
vaseka iye Cosy akabva angobuda
mushure mekunge anzwa kusheedzwa
kwaayiitwa na gogo ndikati Kuna
Spencer "kana Purpose wacho
achinditsvagira zvinyaya zvavo
zvekwana Prog inini handina Simba
nazvo ini" ndakadaro mukurevesa
akanditi "haah handifunge kuti Purpose
angazoitawo zvemanga manga kudaro
inyaya yekuti tangomhanyisa pfungwa
chete" .Akadaro ndichibva ndamuti
"mamhanyisirei pfungwa" zvikanzi
"unongozivawo Sha kuti team rakaita
sana Purpose haringobudikire
zvekudaro waona saka azonzi na Cosy
Koo urikumudii Orna ndipo paati
ungandibvunza izvozvo pa babe
rakanaka kunge Orna here" Akadaro
ndikapererwa nemashoko zvese
nekurohwa nehana ndikati "hii iwe
ndizvo zvaataura shuwa here iyii
urikunyepa iwewe Purpose haataure
Izvozvo" zvikanzi "feya Sha" ndisati
ndamupindurawo ndakanzwa sekuru
vavekuti "arikupi Spencer torai migomo
muyende kunochera mvura izvezvi
mbudzi idzi kubva kuseni hadzina
kumbowana mvura ndikasataura
hamugone kufungawo mega here kuti
mbudzi dzinoda kupihwa mvura Orna
haangamboyendi kunochera mvura
motoyenda Imi because ndimi maswers
pano" Spencer wacho haana kumirira
kudanwa akabva angosimuka achiti
"baba vachatibhowa pano nembudzi
dzavo zvikandibata mushe ndichayiitira
plan kuti isevewe mbudzi iya
chimbudzana chakura chiye" Akadaro
ndikamuti "hii Iwee" .

Ndakadaro asi ayinge avekutobuda ini


ndokusara ndichibvisa ma tennis angu
kwaveku zvambarara pamachira
ndichifunga nyaya ya Purpose
ndikapedzisira ndati "ncxaaa kana zviri
Izvozvo pamwe arikuda kundijairira
nekuti mukoma Moment vaayitamba
navo havachisipo manje ndomuudzisa
ndizvo zvinomupa kushandiswa
semukadzi kumba kwavo" ndakadaro
ndave kutopopota ndiri ndega
ndikafunga zvekare kuti zvichida
ndaimhanyisa pfungwa maybe ayitoda
kundibvunza nezva mukoma Moment
"no what if achida kundibvunza nyaya
dzandakataura kunana Prog"
ndakadaro ndichingozvitongesa ndega.
Kusvika ndasiyana nazvo ndokusimuka
ndichienda ku kitchen nekuda kwekuti
nguva dzekubika chikafu chemanheru
dzainge dzokwana ndakabva ndayenda
kuimba hombe kwaiva nagogo
ndikasvika ndichigara pasofa
vakatanga ndivo nekunditi "kwanziiko
na Moment wafara here pawamuona"
ndikavati "ndirikuto demba kuti dai
ndisina kuvaona nekuti zvese
zvekuvaona kwacho nezvavandiudza
zvirikuramba kubuda mupfungwa
kwanzi vakaba mombe vachida
kutsvaga Mari yekupa Lawyer kuti
vabudise mhama" ndakadaro zvikanzi
naivo "hazvitaurwe ende hazviudzwe
vanhu kunzi wakanoona mukoma wako
ku police uchiri mudiki ndizvo kah?"
Ndakangovati "horaiti gogo hapana
wandinoudza hangu, ndanga ndauya
kunobvunza kuti tirikuseva nei nditange
kubika sezvo kwatodoka" vakabva
vanditi "enda unotora pondo panogara
Mari yangu uperekedzane na Simba
kwamai Madzinga munotsvaga
matemba" ndakasimuka ndichinotora
Mari yacho ndikavati "Ivo Mai Madzinga
vakanditi ndizouya kumba kwavo
weekend maybe kune chibasa
chavanoda kundipa" zvikanzi naivo
gogo "iyii kana Ornament kana riribasa
risinei ne garden ugare wasiyana naro
hako nekuti vanhu vekwenyu Kwa Zhou
vane pamuromo kunozonzi
tirikukushandisa kuti tiwane Mari ye
sugar iyii bodo" . Ndakangobvumirana
navo kwave kubuda ndichinosheedza
Simba kuti tiyende tese asi akaramba
ndakatarisa Spencer na Cosy ndikaona
vari busy vane zvavayipinzwawo busy
nazvo na baba vavo ndakabva ndabuda
pamba ndega ndakafamba asi
ndichango crosser rwizi ndakabva
ndaona Purpose ayine vamwe
vakomana vaviri iye akatondionawo
vanga vakagara pachuru asi haana
action yaakaita ndakamboda kuti
ndiyende kwaari ndinomubvunza kuti
anga achinditsvagirei asi
zvakandiremera ndichibva
ndangopfuurira kuyenda Kwa Mai
Madzinga kwaiva ne tuckshop.

Ndakanosvika varipo Mai Madzinga


vakanditi "wanga usingachade kuuya
here nhai Ornament kana kuti zvimwe
kudada hako" ndakabva ndaseka
ndikati "ndichidada nei hangu mbuya
ndanga ndirimunzira maswera sei"
ndakavakwazisa vakandidaira
zvakanaka vachiti tipinde Mumba umo
mandakawana muine mumwe
musikana wandaisaziva zvikanzi naivo
Mai Madzinga "muzukuru wangu uyu
haagare hake kuno anogara ku Silobela
ndiko kumba kwavo asi anonzi Tildah
atouya kumbonogara kuno
ndichamutsvagira nzvimbo pachikoro
penyu mangwana .. Iwee Tildah uyu
anonzi Ornament muzukuru wangu futi
anogara kumhiri uko" vakadaro Mai
madzinga ndikafara kuzivana na Tildah
uye ayitovawo form three Seni asi ayiva
mukuru kwandiri ayine 16 years zvese
izvi ndakazviziva pakubvunzana kwedu
makore. Mai Madzinga vakazondivigira
plastic bag raiva nehembe vakanditi
"ndakadzitumirwa nemumvana wangu
kubva kudhorobha uko akatumira
dzakawanda chaizvo achiti ndibatsirike
pakutsvaga vanhu vanondibatsira kuita
mabasa pamusha zvino ndakazowana
zvi dress zvaunokwana ndikakufunga
ndikati Ornament anosindibatsira basa
chaizvo rega ndingokupawo muzukuru
wangu" vakadaro vachindigamuchidza
plastic riye ndikatyora muzura
ndichivatenda ndokuzovatambidza Mari
vakandivigira matemba ndave kubuda
ndakabva ndaperekedzwa na Tildah
pakuti zvaingodadisa muraini kuva ne
new friend plus kutanga kuzivana
nemunhu anenge achangosvika.
Akandiperekedza zvekunondiyambutsa
rwizi kuyenda kumhiri kwedu asi haana
kuzosvika kumba asi tisati tayambuka
vana Purpose vainge vachiripo
pandainge ndangova siya vari
ndichidarika na Tildah pavari kudaro
ndayitozvida zvine kakuvhaira kuti
muraini mava neface nyowani, Tildah
akadzokera kwavo ini ndichinanga
kwedu kwandakasvika nekunoudza
vana Spencer nezvake asi zvekuti
Purpose ndamuona handina kuzvitaura.
Ndakabika tikadya zvemusi iwoyo
zvikadarika next day ndakaenda ku
chikoro asi ndaiyendera kushinga
ndichitya nyaya yangu yekwa
headmaster takasvikira pa assembly
ikasvika pakupera ndisina kudaidzwa.
After assembly ndakafara kuona Mai
Madzinga variko na Tildah
vachimutsvagira nzvinbo
ndikatonovamhoresa ndisati
ndanopinda mu class asi ne two
minutes dzandanga ndamuona Tildah
ndainge ndatoona kuti ane speed
sezvineiwo akaiwana nzvimbo akauya
achiiswa mu class medu sezvo ayiziva
inini akatanga achitaurawo neni tiri mu
class kudaro kwainge kusina lesson
achibva aswedera pa desk rangu
akanditi "Koo vakomana vatakadarika
paye kudhuze nekurwizi vanogara kupi
nhaiwe" ndikamuti "muno mu Uzumba
Maramba Pfungwe kwedu ikokuye kwa
Maramba ward 2" ndakamupindura
zvakazara zvikanzi "ayewa Kani Orna
handisi kurevera izvozvo I mean varibho
here" ndikati "bho pakudii" zvikanzi
"pane umwe anga akapfeka t-shirt ye
black ne Jean rakaita kahwu blue Soo
akada kunditevera but ndakaona kuti
zvaizomakisa ndaigona kuzoonekwa na
gogo Saka ndakabva ndatongomhanya"
ndakaziva kuti ndi Purpose ayirehwa
ndakabva ndasheedzera kuti "Progress
Chirasha paita zvagogo vako pano
mukadzi wa Purpose Chirasha" iye Prog
ayishandisa surname yamai vake. Uye
zvekuti taisataudzana ndakazviisa
padivi vanhu vese mu class
vakacheukira kwatiri zvikanzi na Tildah
"iyii nhaiwe Orna zvinodanzwo here"
akaratidza kubatikana nezvandainge
ndaita asi handina kukwanisa kumuti
sorry because pakabva papinda teacher
ve Geography vaindifarira zvavo
teacher ivavo vakatanga nekuti "Shoti
ndoda kukurova wairovherei kuchikoro"
ndisati ndavadaira zvikanzi neumwe
musikana ayinzi Tryness "ayitya
kurohwa na Prog" ndakabva
ndamucheukira ndikamuti "kushata
ndokusaka wakapihwa award ku
competition yawaikwikwidzana
nemakudo, kusviba kunge skintight
yechembere yekumusha kwenyu" vanhu
vakabva vaseka iye Tryness akaita
hasha zvikanzi "ndoda kukutsika
wazvinzwa unditize pakuyenda Kumba".

Ndikamuti "tinotsikana neni ndoda


kukupwanya utotanga uri iwewe
kunditiza kwacho" ndakadaro ne
confidence zvikanzi na Sir "vanhu
vemuno ndirikukuonai kuti vazhinji
venyu ndimi munotanga kudenha shoti
kasi munorwadzowa kuti akakukundai
kunaka here mwana wangu" zvikanzi
neumwe mukomana ayinzi Clive
"shuwa vanorwadziwa na Orna henyu
Sir plus ndiye ega ane magaro kudarika
vasikana vese muno mu class" vanhu
vese vakabva vati "hiiiiyiiiii" zviye
zvekudzuma zvikanzi na Sir "zvakwana
chibudisai ma exercise books enyu
tione". Takabva tabudisa maBook edu
lesson richitanga after lesson sir
vakabuda ini ndichibudawo kuyenda ku
toilet ndichimbonozvi tarisa pad rangu
pandakadzokera mu class ndakawana
Prog adhonzera chair yake kugara pana
Tildah ndikaziva kuti painge pasisina
changu uye hazvina kundirwadza nekuti
ndaisava neshamwari chaiyo inonzi
best friend asi kuti ndaingowirirana
newese anoda kusekedzana neni ,
ndakananga pa desk rangu Tryness
achibva awuya zvikanzi " wanga
uchionererwa na Sir kah manje
vayenda" akadaro achindibvisa sunhat
yangu ini ndichibva ndanhonga ruler
yandisina kumboziva kuti ndeyani
Kwave kumurova nayo kumeso
ikapwanyika "Ornament ndirikuda ruler
yangu" akasheedzera kudaro muridzi
wayo uyawo Tryness ndainge
ndamurova kumeso anga abata paziso
ndakaziva kuti inogona kuperera
zvekare Kwa headmaster kwavekutora
satchel rangu ndichibuda muclass
ndakafambisa ndikanobuda nekuseri
kwema toilets kurikutotiza. Nguva
dzainge dzichiripo zvekuti ndichisvika
Kumba ndaitozomwaiwa nemubvunzo
Saka ndakati ndave kusvika kumaraini
ndakanzwa Kumba kwana Jaqueline
musikana wamukoma Moment
kuchirira radio ndichibva ndatora
direction yeko ndave kusvika ndakaona
vepo vachitotamba ma steps emuchato
uyo watainge takangonzwa nembiri
muraini kuti sisi vake Jaqueline vaida
kuchata iniwo nekuziva kuti pamba
pana musikana wamukoma vangu
ndakawana simba rekunosvikapo iye
Jaqueline ayinditarisa asi handina kuda
kumupa mukana wekutaura neni
ndakangokanda satchel rangu pasi
Kwave kujoinawo chikwata asi Ivo vaiva
two two mukomana nemusikana ini
ndakamira kumashure kwavo ndiri
ndega ndikatanga kuda kutevedzerawo
ma steps acho asi ndaikundikana apa
ndaitovavarira kuda kuzonodadira
vamwe kuti ndakatambawo ma steps
emuchato. Ndakaona vamwe vaivapo
vachiseka zvekuratidza kuti vaiseka
inini asi handina kuita basa nazvo
vakazoti vave kuzorora ndaifunga Kuti
zvimwe Jaque achandimhoresa asi
haana kuita basa neni zvakandibhowa
ndikaona sekunge ayinge odanana
nemukomana waayitamba naye ma
steps uye ayinge atokanganwa zva
mukoma vangu ndakamboda
kumubvunza asi ndakatya Mai vake
because vaizivikanwa muraini
nekutukirira nekubhowekana ikoko
ndakatakura satchel rangu ndichibuda
pamba pavo ndichinanga Kumba apa
ndaitofunga ma statement ekunosvika
ndichiponda. Ndave kunosvika
ndakaona Purpose akatanga
kundiridzira muridzo achindimhanyira
asi ndakawedzera speed kuti
asandibate sezvo ndainge ndave
kusvika pamba , ndakanopinda mugate
asi ndichipinda ndakatanga kuona
sekuru vakataura ndisati ndambosvika
pa yard vachiti "ndafonerwa na
headmaster vako ma complains acho
anyanyisa ndikaramba ndichikurova
Ornament ndingazopedzisira ndapara
mhosva chaiyo izvezvi famba tione
ndinokusiya kwenyu kwa Zhou pinda
utore zvihembe zvako tione" ndakaona
kurevesa kwavo ndakamboda
kuchema ndichikumbira ruregerero asi
hazvina kushanda ndakapinda mumba
ndokuno pakira zvihembe mu satchel
rangu ndakatarisa pamba ndikaona kuti
gogo vaisavapo ndikaona ndega kuti
ndaisabudirira. "Fambisa tione"
vakadaro sekuru vachindi pusha
tichibuda muruvanzi.
*Stay tuned.......*
https://chat.whatsapp.com/HeC1BisVZ
Da4Id2D3cQI9n

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl

ȱPress apa ndokumbirawo uyise like


Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.

*̗ORNAMENT̗*
WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*
*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 7*

Sekuru ndakanzwa kuvavenga


nekundidzinga pamba pavo kwavayiita
takafamba takadungamidzana
tichinobuda kugedhi ndikati "but vanhu
ivavo ndivo vanonditanga pavanenge
vachida kundirwisa inini ndinobva
ndavadzorerawo" zvikanzi "kana
wadenhewa unodii kuyenda kuno
reporter Kwa headmaster kana
zvakuremera zvekwa headmaster
wouya uchitaura kuno kumba
toisimudza isusu nyaya yacho izvezvi
kurikunzi warova mumwe paziso
atoyenda kuchipatara unoiwanepi Mari
yekumurapisa unoshanda here iwewe?"
vakandibvunza ndikadzungudza
musoro zvekuti kwete. Zvikanzi
"chifamba tione handingambo shupiki
newe ini baba vako vari vapenyu hant
vanoshanda kudhorobha kwavari ndivo
vacharapisa mwana wawarova ziso
iyeye" ndakaramba ndakanyarara
ndichitonzwa kutya mandiri kuti
ndainge ndatopara mhosva takafamba
road yese ndichingopopoterwa kusvika
tasvika kumba kwedu kwa Zhou apa
kwaipisisa takananga pamba pambuya
tikawana vanhu vakagara pamumvuri
wemuti wemu mango waivapo pa yard
sekuru pavakati "gogogoi tisvikewo
pano" vanhu vakadaira zvakanaka
kwazvo isu kwave kunogarawo
pamumvuri paye apa vanhu vainge
vasina kugara zvekuzorora asi kuti
vaitosarudza beans idzo dzainge
dzichangobva mukupurwa vachibvisa
dzakashata. Sekuru vakakwazisana
nevanhu inini ndakanyarara semunhu
ayitovawo mutsekwende dzake
zvikanzi na mbuya Zhou "Koo
hamumhoresi vamwe here nhai vama
Ndlovu mukazenge makatsamwa
magumburwa naniko" ndakabva ndati
"maswera sei mbuya" vakandidaira
ndikati "maswera sei sekuru"
ndaimhoresa baba va baba vangu
vakanditi "munonditi ndaswera sei
makapedzisira kundiona rinhi nhai
adzimai" vanhu vakabva vaseka
zvikanzi na Tete Concy "waita watouya
chimunin'ina chako chirikuramba
kutumwa ichi ibva hako
wanondichererawo mvura mwana
wehanzvanzi yangu" ndakatarisa
chimunin'ina changu chairehwa chainzi
Lavender uye ayiva mwana wa baba
vangu nemukadzi wavo vanova mainini
vangu apa chaiva chi giant
chakagwinya kuratidza kuti kudhorobha
kwavaigara chaidya chichiguta chero
ganda rake raizviratidza kuti ayisageza
mvura yedu yemuna Mutsugwe river
apa kuyenda kwatainge taita ini
ndaisatombozvi ziva kuti baba nemhuri
yavo vainge vakauya.

Sezvo ndaitonzwawo nyota plus nezuva


rainge randirova ndakabvisa satchel
rangu ndikarisiya ipapo kwave
kusimuka ndichinanga ku kitchen
ndakangosvika ndichipinda ndikawana
muina baba vangu mainini vese vainge
vakatsikitsira kutarisa pa phone
vakagara pa bench remo mu kitchen
zvairatidza kuti pane zvavairatidzana
ndikati "makadii baba" zvikanzi "hesi
Ornament wafunga kuuya kunotiona?"
Ndikati "ehe". Ndakaona kuti vaida
kundibvunza zvisina basa
vakayenderera mberi nekuti "wagona
Koo kurisei kuchikoro zvaunenge
wauya wega wani Koo Gilbert arikupi?"
Ipapo ndaitochera mvura nezi cup
kubva mumugomo kuchikuva ndikavati
"handifambe naye ini" ndakadaro
ndichitobuda ndakatarisa mainini
ndikaona vakarukwa weave yema curls
vakati vaiva vatema havo zviri pakati
nepakati ende pakunaka
vaikwikwidzana namai vangu asi
ndichivaona nekutsvinda kwavo
ndakafunga mashoko amukoma
Moment ndikabatikana zvekutadza
kuvamhoresa ivowo havana kuita hanya
neni, ndichibuda mu kitchen
ndakananga kwandainge ndasiya vanhu
vakagara zvikanzi na gogo Zhou "zvino
wavaudza here baba vako kuti sekuru
varipano" ndikadzungudza musoro
zvekuti kwete ipapo ndaitambidza Tete
mvura vakati "thanks" . Kukanzi
nambuya "Lavender enda unosheedza
baba vako uvati pane vanhu pano
panze" akabva asimuka zvikanzi
namainini mukadzi wemunin'ina wa
baba "Lavender ane muviri veduwe
haamboratidziki kunge munhu ari grade
five" zvikanzi na mbuya "vese chero
iyeyu Orna anooneka kuti mu giant
kungopfupika chete" zvikanzi naivo
mainini "haah muchiti Orna acharamba
akadai here achatopfuura ipapa haasi
munhu mupfupi zvakanyanyisa uyu"
vakaramba vachidairirana nyaya dzavo
ndikaona baba vangu vave kuuya
vachikaramatwa karamatwa na
Lavender zvairatidza kuti vanowirirana
chaizvo baba ne mwana kwave kusvika
pataiva vakati "tigamuchire Tembo"
vaireva sekuru baba Spencer vakanzi
"muchigamuchireiko Nzou ndimi
munodai kurovera kudhorobha kwenyu
uku" Zvikanzi naivo baba "tinenge
takabatikana nemushando Tembo but
nenyaya dzemukomana ndazongozvi
manikidzira ndikati better nditosvika".
Mukomana ayirehwa ndimukoma
Moment sezvo Court day ravo raivako
zuva raitevera "ayewa hah magona
Nzou Saka masvika rinhi nhasi here"
Ndisekuru vakabvunza kudaro vakanzi
"ayewa takasvika zuro manheru
otherwise kurisei kunoku nayo zhizha
iyi" vakayenderera mberi nekubvunzana
pamwe chete nezve munharaunda.
Zvikazonzi na sekuru baba Spencer
"aah tambotandara veduwe asi
muchindiona ndauya kudai nemusikana
wenyu uyu kah hey hazvina kumira
zvakanaka" vakabva vanyarara
vachidzungudza musoro zvikanzi na
Tete Concy "munotirovesa nehana kah
kwanzii ayita mimba here" vanhu
vakaratidza kuvhundukira asi
zvakandibhowa kundifungira zvakadaro
zvikanzi naivo sekuru baba Spencer
"ayewa hah kana ikoko
ndingamunyepera misikanzwa iripo
zvayo asi kuzvikomana handisati
ndamboona achitambirako asi
chanetsa hwu bhuru kunge munhurume
pamuromo nemaoko aya anoratidza
kuti ane simba pazviri izvezvi
ndafonerwa na headmaster kubva
kuchikoro kwavo vachinditi svikai kuno
ku chikoro muzukuru wenyu arova
mumwe mwana ziso mwana wacho
kwanzi ayendeswa kuchipatara apa
iyeyu wacho kwave kutiza chikoro zvino
ndatoti achisvika pamba ndikamuti ibva
wapinda munzira ndimbonokusiya
kwenyu. Apa hazvina kutanga nhasi kah
musi uno takavingwa kumba uko
nevekwa Chirasha mushure mekunge
ataura mashoko anorema zvino ndaona
kuti at the end zvingazondikurirawo
nekuti dzimwe mhosva dzinopedzisira
dzozoda kuripwa izvezvi tinenge
tichitemeseka musoro nekuda
kwemukomana achangobva
mukusungwa uyu saka hazvizode kuti
zvirambe zvichingodai". Vakadaro
vakanzi na mbuya "ipapo hamurevi
nhema enyu iri nyaya yekwa Chirasha
ndakainzwa zvangu ndikatoti
handimurambiri nekuti rimwe zuva
takamuona murwizi iyeyu Ornament
vakanetsana na Tete vake ivava
mushure mekunge ndamuti azouya
kumunda ateme mabagwe asi
mashoko ayakataura ipapo kah
unotoona kuti pamashoko munhu
mukuru zvokwadi motombondi
regererawo va Muguri
ndakatombopindwa nepfungwa yekuti
zvimwe kumusha kwamai vake ndiko
kwaanoudzwa izvi asi
ndakazodzokonoka ndozviramba
zvekare ndikati hakuna munhu
angaudzira mwana mashoko akadai
zvichizoda imi henyu muri mhuri isina
yepu yepu nevanhu asi chokwadi kana
zvodai mwana anenge aramba
kuchengeteka hamunawo
zvamungazviita basa ramakabata ndiro
hombe" vakadaro mbuya vangu
Zvikanzi na bamunini vangu munin'ina
wababa vanova zvekare murume
wemukadzi wekutaura zvebody ya
Lavender uye vainzi baba namai
Dorothy "ayewa anoda kurohwa kumwe
kwacho kutozviregeredza akarohwa
zvakanaka naka haazviiti zvese izvi".
Vakabva vanzi naivo sekuru baba
Spencer "dzimwe nguva unotozoona
Kuti unouraya mwana nekuti musi uno
ndakamurova panyaya dzekwa
Chirasha idzo dziya but haanzwe zvake
Orna" vakayenderera mberi
nekudairirana zvekusateerera kwangu
kusvika Ivo sekuru baba Spencer
vawoneka vachiti "handichagari ini
regai ndimbomhanyira kumusangano
uko ndizvo zvatonditadzisa kuyenda
kuchikoro kwandanga ndasheedzwa na
headmaster vaye" vakabva vabudiswa
na baba vese na bamunini ini
ndichisara zvikanzi na mbuya
"chisimuka ipapo unokumura uniform
ugoisa satchel rako maunozorara na
Tete vako umo" ndakabva ndasimuka
ndichinopinda muimba yacho yaiva
round yeuswa asi ndichinopindamo
ndakatadza kuzvi controller kwave
kudonhedza musodzi ndainzwa
sekunge zvainge zvandikurira uye
zvaisandiitira nyore kuti ndigare pamba
apa without my mom pamwe chete na
mukoma vangu . Ndakabvisa uniform
misodzi iripamatama ndokubvisa
hembe dzekuchinja kubva mu satchel
ndapedza ndakada kumborara
pachimubhedha chaivamo chainge
chakaita zvekuvakirirwa nemadhina as
a base bed then pamusoro ndipo paiva
neka form rubber asi ndave kuda
kutokwirapo ndakanzwa mbuya
vachindisheedza ndokubuda
ndichiyendako zvikanzi "enda ku
kitchen unotsvaga chekudya kana kuti
woudzwa zvekunotora namai vako ava
mune chii chekudya nhai Mai Lave?"
ndimainini vangu vaibvunzwa avo
vandainge ndasvikira vauyayo pane
vamwe nguva dzandaibva kunobvisa
uniform vakati "ngaanotarisa chekudya
hachizoshaikwe hacho" iniwo handina
kumira ndakabva ndafamba
ndichiyenda ku kitchen zvikanzi na
mbuya "ukawana chekudya ugodzoka
uchigara pano nevamwe" .
Ndakanowana muine tea tsvuku yaiva
kudivi kwemoto uye yainge yotonhora
ndikadira yakadaro kwave kuvhura
mubhodho mandakawana muine
chibage nemanhanga ndikatora
chibage chete kwave kubuda
ndichiyenda kwaiva nevamwe.

Asi ndave kusvikapo ndakanzwa


mainini Mai Dorothy vachiti "asi Tete
kah zvakakuomerai manga mafungira
mimba zveshuwa?" vese vakabva
vaseka ipapo baba na bamunini vainge
vadzoka kubva kunoperekedza sekuru
baba Spencer vapedza kuseka ini
ndichisvikawo zvikanzi namainini Mai
Lavender "anooneka hake Orna wacho
kuti ari stubborn inini chaiye angopinda
mu kitchen akabuda asina kana
kundimhoresa". Zvikanzi nambuya
"kowazviitirei nhai Orna mhoresa Mai
tione" ndakatanga ndagara pasi ndikati
"makadii mainini" zvikanzi na baba
"haugone kuombera? Unoti mainini
kudii haugone kuti mhama"
Ndakaramba ndakanyara Ivo baba
kwave kunditi "ini munhu ari stubborn
ndinorova Ornament Kwa Muguri
kwawaiva uko zvichida vaikuyemedza
zvino pano ndepa Zhou wotoita
zvinodiwa pano kuti pagarike
zvakanaka Isu hatigare pano but
vauchasara navo ava unofanirwa kuti
uvateerere ndizvo kah?" Ndakadaira
nemusoro vakanditi "Hauna muromo
here iwe?" Ndikati "zvakanakai baba
ndazvinzwa" vakayenderera mberi
nekudairirana nyaya dzangu iniwo
chikafu hachina kudzika ndaingoruma
ruma chibage pamwe pacho
ndichichifunda mumukanwa "regai
ndimbonodongorera kumunda uku
ndinodzoka manheru nheru" vakadaro
sekuru Zhou vachisimuka vakadairwa
nevanhu. Vachibva vananga kungarani
kwavakanotora demo ravo kwave
kuriisa pamupfudzi vakafamba
vachinobuda kugate zvikanzi na Tete
Concy "baba vasina kumbobvira
vataura something kwakanaka here"
zvikanzi nambuya "ndatozvionawo kuti
vane kubatikana kwavaita zvino
hameno kuti vabatikana nei ipapa
vanoshupa kunzwisisa baba venyu ava
haiwaa varegei vayende vachadzoka
havo" iniwo ndakabva ndasimuka
ndichinodzosera chikafu ku kitchen
kwandakateverwa na Lavender zvikanzi
"Saka iwewe wava kugara pano apa?"
Ndikamuti "ehe" zvikanzi "nhasi ndiwe
unondigezesa hant kah?"
Nekubhowekana ndakatadza
kumudaira akayenderera mberi achiri
"hant kah zita rako rinoreva something
like decoration kah?" Ndakashaiwa
kwaiyenda nekwaibva nyaya dzake
ndikamuti "ehe" zvikanzi "Saka rako
nerangu nderipi rakanaka because
rangu izita reruva" .Ndakaramba
ndakamutarisa ndichiona kuti
chaingova chi body chikuru nehwu
grade five hwake asi hwumwanana
hwainge hwakazara maari ndikamuti
"Saka munhu ari grade five anogezeswa
here" zvikanzi "ehe inini mainini
vatinogara navo kumba kwedu
vakaudzwa na mhama vangu kuti
vandigezese do you know kuti inini
mhama vangu vanogadzira sipo"
ayitaura achizvida achitambisa mutsipa
nekumonyorira muromo zvinekuvhaira
mukati ayibuda hake muline kuita
kuwochoka chaiko ndikamuti
"uchanyepa iwe vanogadzira sipo?"
Ndainge ndatadza kuzvi believer
Zvikanzi "ehe ah hauzvizive here
vanogadzira inonzi dish washing liquid
enda unotarisa Mumba ma mbuya
unoiwona iri muzigubhu zihombe Soo"
ndakangomuti "hoo". Takambogara tiri
two mu kitchen achitaura zvinyaya
zvake zvisina basa ndave kuudzwa
zvavayiona pa TV kumba kwavo Ini
ndakazobudamo nguva dzakapinda
Gilbert ayinge adzokawo kubva
kuchikoro akasvika achiti "sister
mhondi" ndikamuti "mhondi ndiwe"
Akabva afamba achida kuuya
kunondirova ndiko kubuda kwandakaita
ndichitiza. Iye ayinge angouyawo Kwa
mbuya asi ayigara kumba kwavo
manheru ezuva iroro mainini Mai
Lavender na Mai Dorothy ndivo
vakabatsirana kubika tikadya
tikaparadzana tichinorara sekuru Zhou
vainge vazodzoka kubva kumunda.
Tave kurara kudaro zvikanzi na Tete
Concy "Koo wauya ne hembe chete
hauna kuuya nemagumbezi ako?"
Ndikavati "ehe" zvikanzi "enda
unopihwa namai Ini handidi kufuga
nemunhu" ndakabva ndabuda
ndikananga kuimba yagogo
ndikanovaudza chichemo changu asi
havana kundipa vakadzokera neni
vakasvika vachiti "fuga nemwana
magumbezi iwayo Concy sei uchiita
senge mwana mudiki iwewe kurawo
mhani" zvikanzi naivo Tete "iyi
magumbezi angu ndakatenga ndega
Saka motondikumbira zvakanaka"
vakaramba vachinetsana Ini
ndakangomira kusvika ndanzi naivo
mbuya "kwira apo urare Ornament fuga
ndakatarisa tione" ndakakwira
ndikafuga asi vachingobuda
ndakaridhonzerwa gumbezi.
Ndikaridhonzawo ndikafuga one side
nekuti vainge vaita zvekuritswinyirira
kuti ndisafuge ndakazongobatwawo
nehope luck enough kunze kwaipisa
kuseni tichimuka ndakanzi nambuya
"Orna wotombo rovha kuchikoro nhasi
ugosara nevana nekuti vanhu vese
varikuyenda ku court ya Moment"
handina kuita dambudziko nazvo sezvo
kuchikoro kwaitotyisa kuyenda zvikanzi
na baba "wogadzirira tikadzoka
tozoyenda kumba kwemwana
wawakarwa naye zuro kuchikoro ende
unamate tiwane asina kukuwara zviri
serious hako otherwise ndingakurova
nhasi ndoda kuhwupedza hwu mhondi
hwaunopihwirwa mbiri isina basa
kudaro" handina kuvadaira. Vanhu
vakagadzirira kwave kunopakirana mu
Mazda pickup yababa vangu kwave
kubuda vana vese vekwa Zhou vaivapo
ndini ndakavasiirwa paiva nezviviri
zvaichinjwa ma napkins ende ndega
ndaiona kuti kwandiri hazvisi nyore asi
ndakakwanisa kuswera navo ndichiita
zvandaigona vanhu vakazodzoka
masikati ndikati Kuna mbuya "maswera
sei mbuya ,kwanzii mavaona here
mukoma Moment?" Vakatanga
vaturamafemo vachigara pa benche mu
kitchen mataiva vakati "ndipoo mvura
ndimwe ndanzwa nenyota Dorothy"
ayitumwa wacho Akabva asimuka Ivo
Kwave kunditarisa vakati "ehe tamuona
anga anzi six years asi azobvisirwa one
akanzi achapika kwe five years ari
arikuyendeswa ku Bindura mujeri re
Chawagona Hapana ndiko
kwaachanopikira" ipapo vamwe
vaitopindawo mumba asi
ndakangobata maziso angu ne right
hand ndichizama kugamha misodzi
yainge yobuda.
*Stay tuned......*

https://chat.whatsapp.com/F0WsdBuf
Buf1jHOMf4QIKg

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl
ȱPress apa ndokumbirawo uyise like
Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.

*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY

AUTHORESS
PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*


*Chapter 9*

Ndakamira ndakavatarisa mainini Mai


Lavender vachiuya pandiri vakasvika
vachinditi "hwubhuru hwako hwanyanya
wakoshei iwewe zvekuti ungatoda kupa
vanhu vese basa rekuramba vachitaura
nezvako unoriwana kupi Simba
rekurova vamwe vana" ndakabva
ndavati "kana muchida kundirova
handirambe because muri mai asi
tangai marova Lavender nekuti ndiye
atanga kundirova ndikamuudza kare
kuti handisi kuzvida" vakabva
vasimudza shamhu vachida kundirova
vakati "wakayenzana na Lavender here
iwewe urikuwona uyine zera na
Lavender?" Ndakabva ndavabata ruoko
neshamhu yavo. Vakanditi "urikuda
kundidzorera here" vakadaro
vachindibvuta shamhu yavo kwave
kundirova nayo mumakumbo ndakabva
ndavamwaya zvibhagera zvekuti
havana kuwana mukana
wekundidzosera ,baba vakakurumidza
kuuya patiri vachibva vabata inini
"anoda kurohwa mwana rudzii
anomisidzana maoko namai" vakadaro
mbuya zvikanzi na bamunini baba
Dorothy "zvaari Lavender atanga
kukurova wagodii kuudza vakuru kuti
vamutsiure iwe unoranga umwe mwana
wakamira sani?" Vaitaura izvozvo
vasvika patiri ndikavati "imimi sei
musiri kugona kumutsiura Lavender
wacho kuti asandirove because
handina zera naye" mainini vakabva
vabvisa pushi ravo ravainge vakapfeka
vakati "uyu mwana akajaidzwa uyu
ndoda kukurova" vakadaro vachindirova
ne pushi ravo ini ndokushandisawo
rangu simba ndikapukunyuka ndichibva
mumaoko ababa kwave kumwaya futi
mainini nezvibhagera ,baba vakabva
vandibata vakanhonga shamhu yanga
yatemwa na mainini vakandirova mbiri
ndakanzwa kupinda kwadzo. "Hausi
nhini iwewe urimwana rega kuita
sekunge mombe yemashanga isingade
kuchengeteka ndoda kuti uve mwana
ane respect ruoko rwako ngaruzive
pekusimukira urikuzvinzwa
zvandirikutaura?" Vakataura kudaro
baba vachindirova ndikavati "sei musiri
kurova tese na Lavender imhosva here
kuti mhama vangu havapowo" vakabva
vandidira shamhu vakati "izvozvo
zvekutaura nyaya dzisina zera newe
ndizvo zvimwe zvandoda kukurovera"
iniwo ndakatora mukana iwoyo
kurohwa ndichibudisawo angu
mashoko "munoti hadzina zera neni
nekuti makasiya Mai vangu mukatora
mumwe mukadzi apa mukadzi wenyu
akaronga nehama yake kutongera Mai
vangu makore akawanda mujeri manje
chero ndikava mudiki asi chokwadi
ndinochiziva" ndakadaro ndichizama
kupukunyuka kuti nditize asi baba
vanga vakandibata zvine simba
"Ornament zvaanotaura mashoko
asingaite nhaimi" vakadaro mbuya
Zvikanzi na mainini Mai Dorothy
"anozviwana kupi zvese izvozvo nhaimi
ayewa bamukuru varikumu
nyambudzira hakusi kumurova
kwavarikuita" vakadaro ndikanzi
nababa "wakaudzwa nani zvaurikutaura
izvozvo" ndakabva ndavati. "Ndisiyei
mukoma vangu vakasungwa vachizama
kutsvaga Mari yekuti mhama vabude
hama yemukadzi wenyu yakaroverera
Mhama vangu" ndakadaro zvikanzi
namainini "uzive zvaunotaura Ornament
wazvinzwa baba Lavender udzai
mwana wenyu azive mashoko
ayanotaura handidi zvekukwidzwa BP
nezvinhu zvisina basa ndomurova uyu"
vakadaro vachiratidza kutsamwa
zvikanzi nababa "iwewe ndoda
kukurova kusvika wataura
kwawakanzwa mashoko iwayo"
ndakarohwa ndakambotanga ndakayita
zvekumira asi shamhu yakandirwadza
kusvika ndaita zvekuumburuka pasi
"baba munondiuraya kaaaani".

Ndakachema ndichidaro zvikanzi


"haunzwe nyaya dzako dzawandisa"
sekuru vakabva vasvika vakanzi nababa
"murikuda kudii munokwana papi apa"
sekuru vakabva vazvininipisa
vakabatanidza maoko avo senzira
yekukumbira vakati "musadaro Nzou
munokuwadza mwana" pavaitaurirana
ndakawana mukana wekupukunyuka
ndikamhanya ndichibvapo zvikanzi na
baba "ukaramba uchinetsa seizvi
uchabva pano" ndakabva ndadeedzera
kuti "mukadzi wenyu ndiye angatobva
pano because mutorwa muno
mumusha ende akandiwana ndiripo ini
handina kwandinoyenda nekuti ndiriku
dzinza kwangu". Ndakaona Tete Concy
na mbuya vachiseka even bamunini
baba Dorothy "iwewe haunzwe ndizvo
kah?" Vakandibvunza kudaro dad
ndikarega kuvadaira ndichibva
ndanogara kudanga remombe
ndichizvitarisa pandainge ndarohwa
shamhu dzainge dzadhinda mumaoko
nemumakumbo ndakaona vana
vachiuya kwandaiva vakasvika
vachimira pamberi pangu twumwe
twaibwibwinyika kuseka sezvo
ndayichema , sevana ndaivanzwisisa
nekuti neniwo ndichiri pazera ravo
ndayiti ndikaona munhu achirohwa
kana kuchema ndaimuseka zvese
nekumu svovorodza "sorry Orna"
akandidaro Lavender asi handina
kumudaira ndaitomunzwirawo hasha
naiyewo nekuda kwekuona kuti ndiye
ayiva mavambo enyaya , vana
vakazobva pandaiva mushure mekunge
vasheedzwa kumba. Ini
ndakambofunga kuyenda Kwa Sekuru
baba Spencer asi ndakaona kuti
kwaisadzokereka ndakagara ndichizvi
nyaradza kudaro ndakakwanisa
kufunga nekuwona kuti hongu ndainge
ndataura mashoko angu asi haana
zvaayinge andibatsira ndainge
ndarohwa zvakadaro ndakazosimuka
pave paye ndazvivimbisa zvekare kuti
ndaifanirwa kugara ndakanyarara uye
ndorega kurovana nevanhu
ndakasimuka ndokudzokera kumba
ndasvikako ndakanzi na mbuya
"nditorerewo mvura mu kitchen uwuye
kuno Orna" ndakabva ndafamba
ndichida kunopinda mu kitchen "anoita
seane mamhepo twubhakera twaanga
achindikandira ndetwekuonererwa
twuye inyaya yekuti ndangotyira dumbu
rangu chete ndiro randikonesa
kumisidzana naye, ndabata imwe
mimba ndatambura asikana
zvaikonzerwa naiwo ma contraceptive
methods akati kuuya aya otherwise dai
pasina izvozvo ndaimupura size"
ndimainini Mai Lavender vaidaro
ndikatozova kuti vane nhumbu vakanzi
na Mainini mai Gilbert "zvaizoita here
kumisidzana nemwana pakati
peruvanze kudai vasikana kurohwa
kwaatoitwa nababa vake
kwatomudzidzisa zvakawanda ikokuye".
Ini ndakabva ndapindamo mu kitchen
zvikanzi naivo Mainini "urarame
uchiziva kuti handina zera newe
Ornament zvako zvekujaidzwa uzviitire
kure neni uzive kwekupengera rega
kuita sekunonzi unoziva zvemukati me
trouser rababa vako hauna chaunorwa
pakati pangu, baba vako namai vako
pahwu three hwedu hauna paunokwana
nekuti handina kuchinjana murume
newe. Handina kutora murume
wemunhu ndakatora wangu nekuti
akandida ini ndikamudawo tikadanana
kusvika patiri nhasi zvakasiirwa Mai
vako kuchidiwa ini handinei nazvo ende
handizvitsvage, vari mujeri nekuda
kwekundiponda kwavaida kuita kwete
zvehama yangu zvawanga uchitaura
unenge unotopengawo iwe kwandaka
sanganira nemusanganiro wandakaita
nababa vako hauwuzive, Lavender iyeyu
akatombogara asina baba vake
sezvaurikungoitawo izvozvi
akazovaziva avekuyenda grade two
saka chii chi.." Handina kusiya
vachipedzisa mashoko avo ndakabva
ndabuda mumba ndakatakura cup
yemvura pese pavakataura mashoko
avo ini ndaivawo mu process yekuchera
mvura uye handina kuvadaira
ndakangozvibudirawo ndichivasiya
vaine vamwe varoora saivo.
Ndakasvika ndikapfugamira mbuya
ndichivapa mvura yavo vakanditi "zvauri
mwana kwaye wani nhai muzukuru
wangu zvino chii chinoziitika nhai Orna"
vakandibvunza kudaro ndikati "Hapana"
ndakapindura ndichitorara pasaga
pavainge vakagara, ukuwo baba vangu
na bamunini baba Dorothy vainetsana
na sekuru zvainge zvangotangira
pandainge ndatiza ,Sekuru Zhou pamba
apa vaitsitsirirwa zvaiti kukura zvotizve
imwe nyaya yakamboitika kare yakaita
kuti varohwe neshamhu na baba
vachibatsirana na bamunini baba
Dorothy. Nyaya iyi yainge yakaitika
ndichiri mudiki zvekuma grade 3
chakaitika ndechekuti Tete hanzvadzi
yana baba yekuroorwa ku Chiredzi
vakamborwara zvekunetsa kurapika
saka mukufamba kwemhuri ndipo
pavakanzi mune mushonga wakabatwa
mumusha mushonga uyu ndiwo
wapanduka zvino pakubvunzana
nekutaurirana kwevakuru sekuru Zhou
ndipo pavawonekwa kunzi vainge vane
mushonga mumusha pakubvunzwawo
vaiti handina mushonga wandakabata
ndipo pavakazorohwa na baba na
bamunini baba Dorothy vachinzi taurai
mwana apore asi hazvina kushanda
kwakazouya vanodzura zvinhu
mumusha. Kukabuda kuchinzi hongu
vainge vakabata mushonga
uriwekutsugira musha havana kuziva
kuti waizopinduka kuva dambudziko
remhuri, sekuru Zhou vakatobvuma kuti
zvibviswe uye zvipiswe asi kubva ipapo
vaiti vakada kusimudza musoro
mumusha vanhu vaivamomotera
naivowo zvainge zvoita kuti vagare
vachitya kurohwa , semusi
wandakarohwa iwoyo ndakazovanzwa
vachiti "inyaya yakaitika makore
mangani kusvika patiri nhasi inga
ndaifamba nemi kwese kwaida
kuendwa wani dai ndaiziva kuti ndizvo
zvaikonzeresa ndaizobvuma
kufambawo here" ndakaona mbuya
vavekusimuka vakayendako ini
ndichisara patsaga pandainge
ndakarara. "Hah but wakanyanya hako
mwana wehanzvadzi yangu
pazvibhagera hauna kumira mushe
unouya nazvo ndivama Ndlovu ivavo
ukati rega ndivaratidze zvandinoita
vamwe muma street umu" vakadaro
Tete Concy vachiuya kunogara
pandaiva asi handina kuvadaira
ndakava ignore sezvo ndaiziva kuti
kwaiva kuda kundidenha plus semunhu
ayinge ambochema ndaitonzwa hope ,
ndakaramba ndakavafuratira
ndikazovanzwa vave kusimuka
vachiyenda ukuwo mbuya vainge
votsiura vana baba ndakazongobiwawo
nehope ndikamuka zuva rave
kutorereka. Zvemusi iwoyo manheru
vanhu pavaitandara mu kitchen ini
ndainge ndakangonyarara
pandaitumwa ndaingosimuka
ndakanyarara kudaro ndonotora
chandinenge ndatumwa , pakunorara
ndakada kunopinda mumachira ndisina
kugeza nekuda kwekurwadziwa
nenyama dzangu asi Tete Concy
vakatondiudza kuti unorara pasi
zvakandipa simba rekunogeza sezvo
ndaisava nemachira epasi pacho. Asi
ndichigeza ndakatangidza zvekare
kuchema nekuti pandaizvidira mvura
kurohwa kuye kwaimuka nyama
dzorwadza panenge payendwa ne
mvura pacho , ndakazopedza
ndikanorara asi musi uyu handina
kudhonzerwa machira because vaiva
busy nechi phone chavo chimbudzi
vachivhura ma smile varipo, vana baba
vakadzokera next day vakasiya vati
ndikasateerera vanhu vasambozeze
kundirova nekundi tsiura.

Monday ndakayenda kuchikoro


ndaisava hangu ne school shoe chaiyo
chero ma white socks panguva yangu
iyi nekuda kwukutozvishaiwa zvino
Musi iwoyo ndakapfeka ma tennis
nemasocks marefu ayisava echikoro
ayiva echando ndainge
ndakayatengerwa kare nagogo Mai
Spencer, mumusoro ndakapfeka juzi
kwaipisa asi ndaizama kuvhara shamhu
dzandainge ndakarohwa na baba uye
kwaiva kutya kusekwa nevamwe. Tave
kuchikoro vanhu vachangobva pa
assembly headmaster vakauya mu
class medu vakasvika vachiti
"Ornament Zhou nditevere ku office
kwangu" vakataura izvozvo vachibva
vatobuda iniwo hana yangu yakatanga
kurova vamwe vachitiwo "hiiii hiii"
zvakaita kuti ndiwedzere kutya
ndakasiya satchel rangu kwave
kutevera ku office kwa headmaster.
Ndasvikako ndakanzi ndigare pasi
kwave kubvunzwa nyaya dzangu
dzekunetsana nevamwe
ndikatsanangura nemo nemo zvikanzi
"ok mainetsana henyu sevana
ndinopanzwisisa asi kubva nhasi
zvichiyenda mberi ndoda uzive kuti
pachikoro hapabudwe chero nguva
yaunoda ndizvo kah?" Ndakafunga kuti
ndoda kurohwa ndakatanga mudedera
ndave kutodonhedza musodzi zvikanzi
"handisi kukurova tora badza ne
bhemba iro ndinokuratodza pandinoda
uchenese kuzosvika pa break time
unofanirwa kunge wapedza" ndakatora
zvairehwa ndikaendwa neni kuseri kwe
school yard mujinga me fence
ndikanotarirwa ndima kwaiva nemazi
uswa vakandisiya ndatotanga
kushanda ndakaona sezvaiva nani than
kurohwa. Ndakashanda ndichiti
ndikaneta ndombozorora pasi pemuti
pakamu mvuri break time yakasvika
ndisati ndapedza ndikaona Spencer
awuya akasvika achiti "iyii headmaster
vane utsinye ndiwe wa cleaner pese
apa" ndakamudaira nemusoro
ndichinzwa kuda kutochema iye akabva
afamba kuuya pandaiva akanditorera
badza randaiva naro kwave kutanga
ndiye kusakura akanditi "ichokwadi
here chakataurwa nana Cosy kuna Mai
kunzi hauna magumbezi ekufuga"
ndikamuti "zvakatodarika ndavakufuga
ini" iye akambonyarara. Achiyenderera
mberi nekusakura akazonditi "Koo kuti
wakarohwa nababa vako?"
Akandibvunza akanditarisa amira
kusakura ndikamuti "ehe"
ndakamudaira tichitarisa prefect
ayisvika pataiva uyo akabva ati "iwewe
uri ani unobatsira munhu pa
punishment yake hande kwa
Headmaster" ndakabva ndamuti "ihwo
hwu prefect wakahwupinda
wahwutamburira ndoona sekudaro"
ndaida kumubhowa achibva ati "shanda
hapasati pachena apa" ndakamushaira
mashoko vakafamba vachibva
pandaiva Spencer ave kuyendwa naye
ende handina kuzomuona.
Pandaishanda painge pakakura bhero
rekupera kwe break rakarira vanhu
vakadzokera kuma class,
ndakakikiritsana nayo ndima yangu asi
yainetsa kupera kwayo pakazorira
bhero rekuyenda kumba vanhu
vakatanga kubva pachikoro
ndakazoona Spencer awuya ne satchel
rangu akasvika achiti "ndapihwa
shamhu mbiri na headmaster sha Iwee"
ndakamuti "iyii sorry hako" zvikanzi
"ndarohwerwa mhosva yechana
chatete" takabva taseka akanditi
"handichakumirire sha ndoda
kumhanya kumba koo mazuva anoaya
ndini Ornaaaa Ornament" ayidaro
achitevedzera kusheedzwa
kwandayiitwa nababa vake
nemasheedzero avo ndakaseka futi
akayenderera mberi achiti "madhiri
acho here sha ndinochera mvura zvese
nekusuka apa ndopedza gore
ndichizviita mhama vanogara
vachikudemba sha vakarwadziwa
nekuyenda kwako vakatombopedza
mazuva vasingataure na baba
ndingangoti tese tirikuona kushota
kubva pakuyenda Kwa Moment
kozotiwo iwewe haah" akadaro
achidzungudza musoro zvekusuruwara
ndikamuti "Kasi nhasi havako here
zvaungada kumhanyira kumba kudaro"
zvikanzi "variko but obvious ndosvika
vese vasiko because kune musangano
hant MP varikuuya weekend
yatakatarisa here iyi" ndakangomuti
"hoo zviye" ndakamudaira
ndakadhiniwa sezvo ndainge ndaneta.
Akazondisiya achiyenda ndakambopara
para pasi ndichisakura
kukazouya vice head girl akanditi
"kwanzi na headmaster chaisa uyende
kumba nevamwe" ndokubuda mu
pandima kwandakaita asi ndainge
ndaneta ende zuva rese nekupisa
kwaro raindipinda. Ndakananga ku
school borehole ndichinomwa mvura
pamwe chete nekunonyorovesa chijira
chandaifamba nacho mubag mangu
kuti ndibvise dust ,ndapedza
ndakapindawo muroad kuyenda kumba
ndichingova ndega muroad nekuti
vamwe vainge vatungamira
ndichifamba kudaro ndakati ndave
kusvika kurwizi rwa Chaguba rwunova
rwizi rwairwirwa mafights edu sevana
vechikoro ndakaona vamwe
vekumaraini kwedu vanga vakagara
kumhenderekedzo ye rwizi asi
pavakandiona vakabva vapinda mukati
murwizi hana yangu ikarova asi
ndakazvibvunza kuti ndiyani
wekumaraini kwedu wandainge
ndakadenha zvekuti ndingadai
ndakamirirwa zvekuti paitwe dhudhu
ndikamushaiwa. Ndakatanga kunzwa
kutya mandiri chero nyama dzangu
ndainzwa kuti hadzina simba rekuti
ndingakwanisa kumisidzana nemunhu
ndainge ndaneta ne punishment plus
kurwadziwa neshamhu dzekurohwa na
baba ,paisava neimwe road saka
ndakaramba ndichiyenda kurwizi ikoko
ndasvika ndakaona chiri chikwata
chekwana Prog ende hanzvadzi yangu
Gilbert ayivapowo ndikamunzwa achiti
"ihanzvadzi yangu kaiyi saka neni
ndogona kutomurovera nyaya
yemusikanzwa wevakomana shamhu
yandakabata inogona kungoperera
paari" kutya kwangu kwakawedzera
ndave kuda kudarikira ndakanzwa Prog
achiti "mudhonze uwuye naye kuno
kumumvuri ataure nyaya yake Tildah" .
Ndakamutarisa Tildah wacho ndikaona
achitouya kwandiri akasvika achiti
"urikufambisa uchiyenda kupi
pawaifamba nemukomana wangu
waifungei" ndakamutarisa ndikamuti
"undisiye handite zvevakomana ini"
vamwe vakabva vatanga kufamba
vachiuya kwataiva "iwewe
urikutopindura rough uchiziva kuti
waiva nemukomana wemuridzi"
akadaro umwe musikana ayinzi
Patience ndikamuti "mukomana upi"
zvikanzi "iyeye wawaifamba naye ku
hedge yekwana Prog" ndakaziva kuti
ndi Purpose ndichibva ndanyarara
misodzi yakatanga kujenga mumaziso.
Tildah akandipa mbama ndakavarairwa
asi ndakashaiwa simba rekumudzorera
plus nekutya kuti ndaigona
kuzonopinzwa futi busy kumba
ndichinzi ndarovana nevanhu "rova
hako Tildah asi handikudzosere Mwari
ndivo vanoziva because handiite
zvevakomana ende handidanane na
Purpose" ndakamudaro Iye
nemanyemwe akabva andipa mamwe
two mambama akandirova
nechepanzeve ndikanzwa sekunge
nzeve yangu yamira kushandsa
yakatanga kuwunga zvekuratidza kuti
ndainge ndarohwa zvakaipa.
Ndakabata kumeso kwangu
ndichigamha misodzo ndikafamba
ndichibvapo ndavekutochema ivo
vakasara vachiseka imwe stress
yaindiwedzeresa kuchema
ndeyekufunga mberi kwandayienda
Gilbert ayizonosvitsa shoko renhema
rekunzi ndaidanana na Purpose.

*Stay tuned.........*
https://chat.whatsapp.com/IhHP85Dpy
w16B2PQoGDbZY

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl
ȱPress apa ndokumbirawo uyise like
Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.

*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY

AUTHORESS
PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*


*Chapter 8*

Vanhu vakazogara gara pasi asi ini


ndainge ndotopfikura kuchema zvikanzi
na sekuru vangu va Zhou "chinyarara
muzukuru rega kuva nekufunga kana
kuona sekunge warasikirwa nekuti tese
tiri pano newe semhuri" vakadairirana
na mbuya avo vainge vondinyaradza.
Vanhu vakamboti ziii mumba zvikanzi
na Tete Concy "mabikei nhai Orna
ndatoziya nenzara sha mazi vanhu
anda famba nawo kuomera kana
ambotengawo chero freezit zvaro" vese
vakabva vaseka vachidairirana
mafambiro avainge vaita vavekutaura
nezvimwe zvavainge vaona muroad
sevanhu vainge vafambirawo kuma
robots musi wacho zvekuti chero nyaya
ya mukoma Moment hapana
akazombotaura nezvayo. Ini
ndakasimuka kwave kupakura
mutakura wenyimo wandainge ndabika
pamwe chete ne tea ndichipedza kupa
vanhu chikafu ndakabva ndabuda
kuyenda mumba mandairara na Tete
Concy "mukoma Moment" Ndakadaro
ndave kutoyeredza musodzi ndichigara
pachimubhedha ndikatanga kuchema
ndainge ndakatarisira kuti sezvo vainge
vabatwa vasati vatengesa mombe
dzacho zvimwe vaizotongerwawo
zvimwedzi zvishoma asi makore five
andainge ndaudzwa akandisiya moyo
wangu watsemuka. Ndakachema
ndakatanga ndichiyeredza musodzi
ndakanyarara asi pandakazofunga kuti
Mai vangu pa 7 years dzavainge
vakatongerwa vainge vasarwa
nematatu kumberi kwavo avainge
vasati vapinda maari ndichifunga
kudaro ndakayabaranidza makore ese
iwayo neya mukoma vangu ndikatanga
kuhwihwidza kuchema handina kuziva
kuti zvaitonzwika panze ndakaona door
ravhurwa ndikaona ari Lavender na
Dorothy vaona kuti ndaichema vakabva
vabuda ndakatoziva kuti vainoudza
vanhu Ku kitchen.Lavender ndiye
akazodzoka ari ega ndakamuona
achifamba kuuya kubed kwandaiva
akasvika ndokutanga asikiza kundibata
apa ayinditarisa kumeso sezvo ndainge
ndakaita zvekugara ndofunga
akazokoka chivindi kwave kutanga
kundibhabhadzira pa shoulder neche
kumusana "urikuchemei Orna warohwa
nani sorry wazvinzwa? Ndaudza
mhama vangu kuti urikuchema zvikanzi
enda unonyararidza sisi vako"
Akandidaro ndikaona kuti haana
chaayiziva ende handina kumudaira.
Akaramba achindibhabhadzira iniwo
nekunyara kunyararidzwa nemwana
ndakatanga kudzikisawo volume
yekuchema kwangu iye akangobuda
kubva mandaiva after zvima minutes
zvishoma akadzoka ayine zvima
sweets ma toffee ne three ma biscuits
zvikanzi "nyarara Orna wazvinzwa?
Owoo" ayidaro achindipa zvinhu zviye
iye akatora one biscuits kwave kukwira
achigarawo pandaiva "mubhedha here
uyu?" akadaro achifugura ma blankets
ndakaona kuti ayinge ashamisika
nekuwona kuvakirirwa kwawo
zvoratidza kuti ayisaziva chimiro
chacho "hee Orna mubhedha?"
Akadzokorora kundibvunza kudaro
ndikamudaira nemusoro.
Ipapo ini ndainge ndisisacheme uye
tainge takagara takanyararidzana asi
achipota achinditarisa kumeso akanditi
"wanga uchichemei iwewe" ndikamuti
"ndadonha" zvikanzi "ah munhu mukuru
sewe anochema akadonha here ah Inini
handicheme ini saka warwadziwa
kasi?" Ndikamuti "ehe" zvikanzi "horaiti
sorry wazvinzwa?" Ndakamudaira
nemusoro asi takagara kudaro
ndakanzwa ave kusheedzwa namai
vake achibva abuda ndokuyenda
kwaakaita ayenda kudaro iniwo
ndakasara ndichibuda kuyenda ku toilet
ndikanzwa mainini vachipopota nevoice
riripasi vari mumba mavo ndakatoziva
kuti yaiva nyaya yezvinhu zvandainge
ndapihwa na Lavender ndakasiyawo
zvakadaro ndabva ku toilet
ndakadzokera mandainge ndabva
ndikanorara ndichiyenderera mberi
nekuzvidya mupfungwa nendangariro.
Ndakasvika pakubatwa nehope
ndikazouya ndichimutswa na Tete
Concy vakanditi "muka nhasi inini newe
tisu tirikubika plus ma plates adyirwa
masikati paye urikuda kuti asukwe
nani?" Ndakabva ndavati "Hapana vana
here panze ipapo vana Lavenda nana
Dorothy vangatadza kusuka ma plates
aye?" Zvikanzi "zvaurikutaura hazvina
musoro muka Sha" handina
kuzovapindira ndikaramba
ndakanyarara ivo vaichinja hembe
vachibvisa dzerwendo dzavainge vabva
nadzo ku court vave kupfeka dzepamba
"iwe Orna muka apa" vakandidaro
vapedza ndikavati "handidi imbondisiyai
ndine stress dza mukoma vangu
handina simba rezvese izvozvo ingoitai
zvamaisiita ndisipo" ndakavapindura
nehasha zvikanzi "ramba hako kuita
basa ugare wakarara ipapo ne stress
dzako idzodzo kusvika five years
dzekubuda kwake dzakwana" .
Ndaivowo havana kundipindura nenzira
kwadzo ndikangoti "horaiti iribho" ivo
kwave kubuda ndakaswera
ndikapedzisa day rangu ndiri mumba
imomo pandakazonzwa ma plates ave
kugwedebudzwa ndipo pandakamuka
ndichiyenda kwaiva nevamwe ku
kitchen uko kwandakasvika ndichinzi
na Tete Concy "stress dzapera nekuti
wanzwa kuti kwava kupakurwa kah?"
Vanhu vakabva vaseka zvikanzi
nambuya "anga achida kumbozororawo
hakezve" ikadairwa na mainini Mai
Dorothy vachiti "zvino nebasa repano
pamusha haridi simbe" kukanzi na Tete
Concy "kuzviitisa uku achapinda
muforo hake anga ajaira kwasekuru
vake kwaayiregeredzwa" yakabva
yagamwa na baba vangu vakati
"kwasekuru yatova history hant
akaramba kuchengeteka here ,
anotoshandawo sevamwe pano
kushanda hakuurayi isu takakura
tichishanda wani taimukira kumunda
tonosiya tasakura tozoyenda kuchikoro
ende nanhasi tichiri kungoshana Wani
asi tiri vapenyu" sezvo ayiva mashoko
ayinge ataurwa nemunhu ayitenga
sugar pamba vanhu vakabva vaseka asi
handina kuona hangu chaisekesa.
Hongu Mumba mana baba vainge
vakaberekwa varipo five kwaitanga
baba kouya baba va Gilbert avo vaigara
nekushanda kudhorobha asi vainge
vakavakira kunze kwe yard yevabereki
vavo, kouya vamwe Tete vainzi Mai
Nyasha avo vaigara kwavainge
vakawanikwa ku Chiredzi kumusha
vaisauya pese pese ,ivavo vaisiira
bamunini baba Dorothy avo vainge
vakapererwawo nebasa kwavaimbo
shanda vave kungoita upenyu
hwekumusha vanga vasati vavaka
kwavo aaka vaigara pamba pevabereki
,kuchizopedzisira Tete Conciliar. Saka
baba vangu pavakaroora mainini
vakasiya musha wedzimba nhatu
dzeuswa dzavanga vakavakisa namai
vangu kwave kuzviswededza
muchivanze ma Mai vavo
mavakavakisa Imba yemarata yaiva ne
two rooms ine vheranda vaisava havo
nemari yakawanda baba vangu asi
yekuti vararame yaiwanikwa semunhu
ayiva nemota yavo iyo yataingonzwa
kuti ku town kwavaigara kwacho vaiyita
zvekutakura zvinhu zvevanhu pama
shops nemota iyoyo then mainini Mai
Lavender ndivo vaibva kumhuri yainzi
vakati budirirei kumusha kwavo kuri ku
Madziva hanzvadzi dzavo ndidzo
dzainzi dzakadzidza ivowo vachinzi
vangori musikana one Mumba mavo,
asi zvakadaro baba vangu nemhuri
yavo sevanhu vaisagara pamba pese
pavayiuya vaibikira mu kitchen ma
mbuya uye ndivo vaipihwirwa zvichemo
zvese pamba.

Chimwe chainge chave kundibhowa


pamba apa ndechekuti vanhu vakabata
topic vaimbo chovha nayo zvaipedzisira
zvave kubhowa seipapo
vakambofamba neyangu vachitaura
zveusimbe nekuda kwekurara
kwandainge ndaita nekubatikana
ndakatadza kudya chikafu zvakanaka
ndikasiya , vanhu vapedza kudya
ndakarongedza ma plates
ndokusimuka ndichinorara
pakazotevera Tete Concy vakatanga
zvavo zvekundidhonzera magumbezi
kuti ndisafuge ndikasiya zvakadaro
ndakazokwanisawo kufuga zvakanaka
usiku vabatwa nehope. Muzuva
rakatevera ndakamuka ndikabatsirana
naivo tete Concy kuita basa vamwe
vainge vayenda kumunda kunodzura
nzungu isu takanzi tisare
tozonotengesa dish washing liquid
mumaraini asi taka share ini
ndakafambira kuside kwangu
kwandakanzi ndiyende na Tete Concy
vakanditi "ukasvika uko uyende Kwa
Chirasha vanotenga manje Inini
ndavekuyenda ku side uku ndonangawo
Kwa Mai Ndoga ndivo vamwe
vanotenga" Kwa mai Ndoga kwairehwa
ndiko zvekare ku area kwaibva
musikana wandakarova ne ruler saka
ndaisada kunzwa nezveko.
Ndakambofamba famba nayo dish
washing liquid ndikazonanga Kwa
Chirasha ndiko kunova kumba kwana
Prog ndaifunga kuti ndichabvunzwa futi
nyaya yangu asi handina Ivo Mai
Chirasha ndivo vega vaingovapo
vakatoitenga pandakawonekana navo
ndave kunobuda kugate kwavo
ndakaona Purpose hana yangu
ikangorova zvemunhu ayinge asina
kutarisira kumuona ipapo ayinge
akamira padanga ravo remombe
raingova nechemu yard imomo
vairatidza kuti vaitokama mukaka
pamwe chete nemukoma ayipfudza
mombe dzavo paakandionawo akabva
asiya zvaayiita achiuya kwandiri ipapo
ndainge ndoda kutovhura gedhi
akanditi "unenge urikutiza hindava
kutya Inini here nhai Orna" ndakabva
ndaseka ndikamuti "kukutya kuti waita
sei kasi uri shumba?" Akabva asekawo
apa ndaitotadza kurivhura gedhi racho
akazovhura ava iye akati "hapasvikirwe
nevanhu varefu sewe apa Sha" akadaro
achiseka ini ndikasekawo because
yaiva wire yaipfekerwa kumusoro kwe
gate ndiyo yaibviswa pandakapinda
ndakawana risina kuvharwa zvairatidza
kuti ndivo vayinge varivhara nekuti
pandakapinda vainge vasipo padanga.
"Ornament" akadaro avhura gate
tichibuda ndikamuti "chii" zvikanzi
"Saka urisei hako ndipe ndikutakurire"
akadaro achitora chi bucket
chandainge ndakatakura icho chaiva
netwugubhu twe dish washing liquid
ndikamuti "iyii ndotakura ndega"
zvikanzi "chiiko kuda kuita dzungu soo
nhai Orna unobvei ndikakutakurira"
akadaro achitonditorera zvenharo akati
"urikufamba sei apa" ndikamuti "ndoda
kutevedza karoad ke hedge yenyu iyi
ndonoyambuka rukova ndiyende
kumaraini ekumhiri uko" zvikanzi "ok
but uchenjere mu hedge munogara
nyoka nema rwaivhi manje" ndikamuti
"tinongorumana inini nazvo" ndakadaro
tikaseka tese tave kufamba phone yake
yakapinda massage achibva ambomira
achiibudisa muhomwe zvakaita kuti
neniwo ndimire sezvo ndiye ayiva ne
pasuru yangu apa ayinge akapfeka ma
gumboots ayayitsika nawo ndove
dzemudanga ne Jin trouser ne blue
rakawumbuka nesvi t-shirt sve gray
zvakapera ndakasara padiki kumuudza
kuti Purpose unobvisisa mhuri yenyu
ma marks nezvaunopfeka asi nekuzeza
mashoko zvakaperera parurimi."Smile
yawavhura ungati kufarira massage
kwayo izvo ndeye Econet"
ndakamudaro ndichiwanza Iye akaseka
kwave kutoisa phone yake muhomwe
yaitovawo type yataiti touch screen
panguva yacho "Orna une pamuromo
hey massage ye Econet ipi yawaona
ipapa" akadaro tikaseka tave kutevedza
hedge yavo paiva neka road kamukoto
kainanga kurwizi "Saka urisei hako"
akandidaro ndikamuti "unondimhoresa
kangani" zvikanzi "kandinongonzwa
kuda asi unoziva chii kah haudaro hako
Orna" ndakabva ndamira sezvo ndini
ndaiva pamberi Iye kwave kumirawo.
Ndikamuti "ndadii" zvikanzi
"ndakakusheedza kuswera zuro
uchibva kuchikoro ndikatombozama
kukumhanyira asi waifambisa
zvekuratidza kuti wainditiza usadaro
soo koo waizvifambisa sei which
means wavakuziva kunyengwa hant?"
Ndakavhunduka ne word raakataura
ndikamuti "Purpose unopenga here"
zvikanzi "kupengei uriiwe unenge
uchingoita kunge unopenga apa ndaida
kutokubvunza nezve day re court
yemuface wangu usadaro Iwe but haisi
nyaya hayo ndakazodzoka kumba
kwenyu manheru acho ndikawana
mbuya vako nasekuru varipo ndivo
vakatozondiudza , vave kutotaura
zvekuti une yawanga watamba
kuchikoro but unenge uchimboita sei
koiwewe Orna zvauri munhu aribho
Wani chii chinozoitika" akadaro
ndikamuti "aiwee siyana neni"
ndakadaro ndave kutofamba zvikanzi
"ndosiyana newe papi ndakakubata
here ini" ndakabva ndaseka zvikanzi
"uve munhu kwaye iwewe zvimwe
zvinhu zvaunoita hazvina kukufita sha
because now pakatoipa mukomana ava
mukati ende hey hah pakaipa sha
ndaivako zuro ku court ende zvinhu
zvirikundirwadza handikunyeperi"
ndakamutarisa ndikaona achiratidza
kurwadziwa zveshuwa pachiso
akanditarisawo akangoyerekana ati
"next weekend kubhora maybe ndini
ndinenge ndichikutengera ma bans"
akataura zvine kundidenha nekuziva
kuti akaudzwa nyaya yangu namukoma
Moment yekuda kuchemera ma bans
ekwa Mai Luke ndichibva ndaseka Iye
akasekawo tainge tatosvika
kukarukova achibva anditambidza chi
bucket changu.

Akanditi "chiita madhiri ako iwewe Inini


ndinoitawo angu tinobatana"
ndakagamuchira chi bucket chiye
ndikamuti "iribho umhorese musikana
wako" ndakadaro ndave kutomhanya
kudzika kamuteru ndichipinda
murukova zvikanzi "Iwe Orna unopenga
here musikana wangu ndeupi iyeye"
ndikamuti "Tildah kwekwamai
Madzinga" haana kundidaira akabva
anhonga kadombo achida kunditema
ndikanzvenga ndichiseka Iye
akayendawo achiseka.
Ndakayambukira kumaraini ekumhiri
kwandainotengesera ndichibva
ndokumbotenderera ikanhongwa
zvishoma masikati pakwainge kwave
kunyanyisa kupisa ndakabva
ndadzokera kumba ndikasvikirana na
Tete Concy uye vanhu vainge
vatodzoka kubva kumunda tikaisa Mari
kuvaridzi yaiva yamai Lavender,
takamboita zvatayiita pamba kwave
kumanheru Inini ndakabva ndatumwa
kuma shops ndikabuda na Dorothy uyu
ayiva grade seven tikayenda futi na
Tariro ayivawo form one uye ndiye
ayisiirwa na Gilbert pakuzvarwa kwavo
tiri muroad takabva tasangana na
Simba na Cosmas ndikamira naro
tichitaura nyaya ndikazovati "muudze
gogo kuti ndokumbirawo magumbezi
handina chekufuga Tete Concy
vanondidhonzera havadi ndifuge
magumbezi avo" ndakataurira pasi
zvekusada kunzwikwa asi handina
kuziva kuti ndainge ndatonzwikwa.
Takazoti tasvika kumba ndisati ndagara
ndakatumwa kubakwa kunotora huni
pandakadzoka nadzo munhu wese
ayiva mu kitchen zvikanzi na mbuya
"nhaiwee hunhu rudzii hwekufamba
uchitipa mbiri yekukunyima magumbezi
pano hauna kana vhiki wauya pano asi
wave kutakura mashoko uchiyenda
nawo chii chaizvo nhai Ornament"
yakadairirwa nemunhu wese
ndichiudzwa kusachengeteka kwangu
asi ndakanzwa kusuruwara nekuti
vaindikutsirana pazvinhu zvechokwadi
uye kuudza kwandainge ndaita vana
Cosy ndaitokumbira kuti gogo
vandipewo magumbezi avo andainge
ndakasiya uye andaishandisa ende
handina kuziva akanditaurira pakati pa
Dorothy na Tariro, manheru kwati svibei
baba vakabva vati "handei kumba kuye
tinoona mwana wawakarova tizive kuti
zvakamira sei". Takabva tanopinda
mumota Ivo nambuya na bamunini
baba Dorothy vakapinda kumberi ini
ndikagara kumashure vaiziva
kwataiyenda sezvineiwo wandakarova
wacho takamusvikira aripanze
achitosuka ma plates , takakwazisana
nevepo vakaudzwa zvatainge tafambira
pakubvunzaniswa ndakataura side
rangu iye akataurawo rake "kunongova
kunetsana kwevana nyaya chaiyo
hapana hapo uyu haana kumbokuwara
zvamunotoonawo inyaya yekuti musi
waakarohwa paziso kuda
rakavhunduka manhinge ndokusaka
rakamboti zvimbei zvishoma" ndimai
vake vakadaro.Vakaratidza
kunzwisisana isu kwave kuzobvapo
tichiyenda kumba tasvika kudaro vanhu
vese vakandimomotera vachinditsiura
panyaya yekurwa nevanhu zvekuti
ndakasvika pakupfira kakomba
nechemumoyo ndikazviudza kuti
ndaimbomira zvekunetsana nevamwe
kunze uko. Then next day tese
takayenda kumunda kunodzura nzungu
tikazobvako masikati ndakasvikira
kunogara pasi pengarani ndakagara
kudaro vana vakabva vauya vakasvika
vachiitana "pangu apa pangu apa"
kwaiva kubata nzvimbo dzekugara
handina kuziva kuti ndainge ndagara
pavano tambira uye semunhu ayinge
aneta ndakanzwa usimbe hwekusimuka
chimwe chakabva chauya nezirata
chimwe nemazimbe vakatanga kuita
zvechikoro teacher ari Lavender uyo
ayipota achirova vamwe vake
pakutamba kwavo akabva andirovawo
ndakavarairwa ndakarwadziwa vamwe
vake vakaseka ndikamuti
"urikundirovereiko nhaiwe" Zvikanzi
"newewo uri mwana ari mu class 6×6
answer ndiyani" ndikamuti "handisi
kuzvida tamba nevamwe vako ava"
iyewo ayiva nenharo. Akaramba achida
zvekundirova rova ndakabva
ndasimuka ndave kuda kunogara
paberere yemba painge pakararwa na
mbuya pandakafamba one step akabva
anditevera akandipa imwe shamhu
kumagaro vamwe vake vachiseka iye
ayiona seayigona ndakabva
ndamubvutira shamhu yake
ndikamurovawo nayo asi handina
kumurova nesimba rangu rese
ndakamurova zvishoma ndichida
anzwe kurwadza kweshamhu yake, asi
akabva atanga kuchema zvakaita kuti
Mai vake vabude kubva mu kitchen vari
chahwiriri che speed ini ndakatanga
kufamba ndichiyenda kwandanga
ndagara ndichida kuyenda "arohwa ne
shamhu na Orna" ndakanzwa mashoko
iwayo kubva kuzvivana pandaibva
ndikaona Ivo mainini vave kunanga
pamuti wemu zhanje waivapo pamba
vakasvika vachingokwachura yavo
shamhu vanhu vese vakatanga kubuda
buda mumba. "Hah mwana wemwana
wangu akambozvarwa seiko nhai Mwari
akatodza aniko ruoko runorova kudaro
munhu asingazezi kusimudzira vamwe
ruoko?" Vakadaro mbuya vachimuka
kubva pamumvuri pavainge
vakazvambarara "inoise yeiko irikuitika
pano kwanzi adii Ornament"
vakadarowo baba vachibuda muka two
rooms kavo ndikaona mainini Mai
Lavender vachifamba kuuya kwandaiva
shamhu yavo iri mumaoko.

*Stay tuned........*

https://chat.whatsapp.com/EU480VMb
YHe5E7Lk2U4NLR

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl
ȱPress apa ndokumbirawo uyise like
Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.

*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY

AUTHORESS
PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*


*Chapter 10*

Ndakambopedza nguva ndichifamba


ndiri ndega uye ndichichema
pandakazonzwa nzeve yangu yave
kuvhurika ndakambonyarara kuchema
kwandayiita ndichibudisa voice
semunhu ahwihwidza, kwave kupinza
ruoko munzeve ndiri busy kunon'ona
nzeve kudaro ndakaona Purpose
neumwe mukomana ayinzi Kelvin
vachiuya nekumberi kwangu zvoratidza
kuti vainochingura vasikana vavo ari sa
Kelvin iyeye vanga vave nenguva
achidanana na Prog "Ornament"
akandidaro tave kusangana iye Purpose
ndikaramba ndakamunyararira asvika
padhuze akada kundibata ruoko
ndikamunzvenga zvikanzi "Koo chii nhai
Orna wakatsamwei unenge wanga
uchitochema wani hindava?".
Akandidaro ndikamuti "handina
problem newe because wanga uri
shamwari ya bhudhi vangu asi kubva
nhasi ukandiona usataure neni Purpose
because zvavakutondimakisa nevanhu
izvezvi Tildah andirovera kuti
ndodanana newe ndodanana newe here
inini?" Ndakamubvunza kudaro asi
haana kundipindura akabva atarisa
kumashure kwangu kwandaibva nako
zvakaita kuti ndicheuke ndichitarisawo
ndikaona chiri chi group chana Tilder
chayiuya ndakabva ndafamba ndichibva
panana Purpose uye iye ayinge asati
andipindura. Ndakazocheuka ndave
kumberi ndikaona vakamira vese nana
Tildah vacho ndakabva ndawedzera
speed ndichiyenda kumba ndasvika Ku
village ndichipinda muraini ndakabva
ndaona mbuya vake Tildah ,Mai
Madzinga vainge vakamira vachitaura
nevamwe mai vandaizivira ku church
kwedu ku zcc kwandaiyenda na gogo
Mai Spencer ndakabva kuroad
kwandaiva ndikananga kwavari Ivo
vakatonditarisawo zvine kushaiwa kuti
ndaivingei ndakasvika ndichivamhoresa
zvine hunhu zvikanzi namai Madzinga
"nhai Ornament muzukuru wangu
ungagova munhu wekubva kuchikoro
wakadhinda misodzo kumeso
musikana mukuru anenge iwewe here..
hezvo Koo warohwa nani zvigunwe
zvembama kah izvi zvirikuyenda
nekunzeve uku" vakandibvunza kudaro
gogo vake Tildah ndikavati "ndizvo
zvandatouya kunokuudzai kuti
ndarohwa na Tildah anga achifurirwa
nana Prog vekwa Chirasha" .Vakabva
varatidza kushamisika vakati "hezvo
chirudziii Tildah ane shamwari here
akazotanga kutamba nevekwa Chirasha
kwese uko rinhi ndiudze chii chaitika,
Mai Garaza toonana mudikani rega
ndinzwe nyaya yemwana uyu
ndichitonomusiya kumba kwavo"
vakadaro vachioneka Mai vavainge
vakamira navo kwave kutakura chi
tsaga bag chavaiva nacho tave kuyenda.
Iniwo nekunyara kufamba nemunhu
mukuru akatakura ini ndisina ndakabva
ndavati "ndipei henyu ndikutakurirei
gogo" zvikanzi "ayewa rega nditakure
muzukuru nyatsokundiudza nyaya
yaitika tinzwe wati Tildah akurova?"
Ndikavati "ehe andirovera kufamba na
Purpose kwandakaita...." Ndakabva
ndayenderera mberi ndichitsanangura
nyaya yese nemo nemo nemaitikiro ayo
zvikanzi "ende Tildah kah achandiitira
zvimwe zvinhu ari mwana
wemukwasha kudai vana vakambomira
seiko nhai veduwe hee? shuwa kurwira
Purpose ane chii iye uya mwanawo
zvake arikutochengetwawo achimirira
kupihwa sadza anganzi akura zvekuziva
kuzochengeta mukadzi here chero
akanzi amitisa Tildah ende futi kah"
vaitaura zvine kudemba vakazonditi
"handei nekumba kwangu ndinosiya
tsaga iri ndigoyenda newe kumba
kwenyu" .

Ndakavatevera tikayenda nekumba


kwavo vakangonovhura mu kitchen
vakakanda tsaga ravo ndokupinda
muroad tichiyenda kwedu tasvika
takawana vanhu vese varipo
ndikapfuurira pavaiva ndichinosiya
satchel mumba matairara na Tete
Concy ndokubvisa ma tennis nema
socks ndikadzokera panze
pandakasvika ndichiswedza vanhu "Koo
waregerei kubvisa uniform nhaiwe
Ornament Kasi mangwana hauyende
kuchikoro here" vakandibvunza kudaro
mbuya ndikavati "ndoyenda" nyaya
yacho yakabva yagamwa namai
Madzinga vakataura vakatarisa mbuya
vachiti "atogona akadzoka sekusvika
naye kwandaita amai ndikati
mundiregererewo kumba kwangu uko
mazuva ano ndine mwana wemumvana
wangu wandirikugara naye mazuva ano
,zvino ndazoti ndichibva
nekumusangano uko ndaona musikana
uyu achiratidza kuti ambochema
pandamubvunza ndipo paati arohwa na
Tildah...." Vakataura nemo nemo
sezvandainge ndavaudza ivo Mai
Madzinga zvikanzi na mbuya "hezvoo
ende vana vemazuva ano soo kah
mukati hamushuri imi makazviwanepi
zvekuti mukomana anorwirwa?"
Ndakabva ndavati "handina kurwa
nemunhu asi kuti ndiye andirova" .
Zvikanzi naivo Mai Madzinga "inini
pandangonzwa kunzi Tildah anga
anana Prog ndatoziva kuti chinogona
kuva chokwadi because iye Prog
pachezvake haanzwi kakawanda
katinomuona Ari kurukova uko
achinyiwa kanyiwa nemwana uye
anonzi Kelvin wekwa Chinyama uko
ende kutaura kwandirikuita ikoku
vakomana ivavo ndapesana navo
vachienda neroad yevana vechikoro ini
ndichibva kunotora nyemba dzangu
kwa Mai Garaza, vana ava kah
vachatiitira zvimwe izvezvi kuuya
kwaakaita kuno baba vake namai vake
vanenge varikubasa zvino kumba
ayigara nemusikana webasa ndikati
kuna Mai vake iye Tildah mwana akura
harichasi zera rinosiirwa musikana
webasa plus semusikana freedom
yacho anozizvipa zvakapfuurikidza
chindipai heye kuno ndigare naye
tichokweshana sambuya nemuzukuru
zvino ndiudzei kuti ndinozotarisana
nemukwasha sei mangwana kukanzi
mwana wake amitisirwa mumaoko
angu".Vakabvunza kudaro zvikanzi na
bamunini baba Dorothy "iye
angangoroverwa mahara here kwadii
kurohwa umwe asiri iye urikudanana na
Purpose here iwe Ornament?"
Vakandibvunza kudaro zvine hasha
mukati bamunini ndikakurumidza
kudzungudza musoro
"anongondimhoresa because ayiva
shamwari yamukoma Moment plus
ayigara achiuya kumba Kwa sekuru
pavaitamba vese" ndakadaro zvikanzi
na Tete Concy "yah ichocho chinogona
kuva chokwadi hacho because chero ini
ndaivaona vari vese Purpose na
Moment chero Kelvin arikutaurwa
nezvake". Mbuya kwave kutiwo "ayewa
kah nhai mwanangu baba Dorothy
wakanganwa here iwe sekuru vake uyu
pavakamusiya pano vakataura
nemuromo wavo uyu kuti Ornament ane
musikanzwa wekurwisana nevamwe
kwete kuzvikomana handisati
ndamuona achitambirako Saka zvichida
kana kuchinzi mwana wekwa Chirasha
uyu ayiva shamwari ya Moment kuda
ndiko kutaudza Orna kwaanoita kwete
zvekuti kwanzi mungati Ornament
ungawanikwa na Purpose haah imi
fungaiwo zvimwe imi" ipapo mbuya
vakamirawo neni vakanzi na bamunini
"mwana haarambirwi Amai nekuti
kwaanofamba nekwaanoswera
munenge musinaye mangwana akauya
nekatumbu pano munochema nani"
vakadaro zvikanzi na Mai Madzinga
"ipapo mataura idi chaiyo vahanzvadzi
mwana haana mugoni chinotodiwa
ndechekuti ukaona mwana chero
weumwe iyeye achirasika ingotsiurawo"
zvikanzi namainini Mai Dorothy "iyii
vemazuva ano unochenamirwa
ukazvirega maimwana unogona
kubvunzwa kunzi marwadziwa nei kuita
sekunonzi ndirikudanana nemurume
wenyu" .
Vakadembedzana iniwo ndikasimuka
ndave kunobvisa uniform
pandakazodzokera ndakawana Mai
Madzinga vave kusimuka vakati "usare
zvakanaka Orna ndichanomutsiura
Tildah ndichatobata iri shamhu nekuti
vana vemazuva ano mukatsiurwa
nemuromo hamunzwi
tikasakungwarirai tinozopepuka dzava
mimba" ndakangovati "horaiti
zvakanakai gogo" vakasimuka
vavekuyenda vachibudiswa nambuya
ndikanzwa vachinzi "tanzwa kuti
kwanga kune musangano
wehwutungamiriri nhasi kwanzi varikuti
vigireiko MP vasikana" handina
kuzoteerera mhinduro yavakapindurwa
ndave kunopinda mu kitchen
ndichinotsvaga mainge mapinda
mainini Mai Dorothy ndikavati
"ndirikudyei mainini" zvikanzi "mune
sadza asi harina usavi vanin'ina vako
vakambura usavi hwese wotobika hako
soup yemadomasi mirira mbuya vako
vadzoke ugonokumbira madomasi
acho because ari mumba mavo
mavanorara" ndakamboda kubatikana
kuti vanin'ina vacho vasati vakambura
usavi Ivo vainge varegerei kubvisira
hwangu padivi sezvo tese tainge tabva
kuchikoro "inosevesa sadza wani soup
yemadomasi nhai Orna?"
Vakandibvunza kudaro mushure
mekunge ndaramba ndakanyarara
ndikavati "horaiti mainini ndinobika" .
Ndakanzwa Kutaura kwambuya panze
ndichibva ndayenda ndikavaudza
chichemo chaku tikadungamidzana
tichiyenda kuimba yavo sezvo ndimo
maigara chikafu chezvino naka naka
zvavanenge vatumirwa kana kuvigirwa
na baba or kubva kwamaiguru Mai
Gilbert paiuya kana kutumirwa na
bamukuru baba Gilbert saka
zvaizobviswa mumba mavo vachipa
vanhu pakubukwa kwazvo. "Usaite
zvevakomana usati wapedza chikoro
unozvinzwa Ornament?" Vakandidaro
tapinda mumba mavo ndikavati "ehoi
mbuya" zvikanzi "gudhuu uku
ngakudzikame uku makumbo agare
akavharwa ndizvo kah"? Vakadaro
vachindinongedzera kuzasi kwangu
ndikavati "ehe" zvikanzi "gudhuu gero
ndoda udadise semadzitete ako vaye
vekuchiredzi vakaroorwa zvakanaka
ndikapihwa mafukidza dumbu angu
ivava Tete vako varipano vazhinji
vaiseka nanhasi vanoseka kuti
arikuchemberera pamba but munhu
haafi nekusekwa izvozvi nhasi varume
vake vanoda kumuwana vabva pano
nhasi ndeveku Hwoya uko unoti kwese
kwavabva hakuna vanhukadzi here asi
kuti hwunhu ndihwo hwunotevera
muridzi wahwo hatidi kuti tizopihwa
mbiri yekunzi vekwa Zhou vanosiya
mwana achiita zvevakomana vekwa
Chirasha kunomwiwa tea everyday kuti
vagopihwawo sugar nhamo tinayo hedu
pano pamba asi mbiri iyoyo hatiidi
munondinzwa kah vama Ndlovu?"
Vakandidaro mbuya ndikati "ehe
ndaizvinzwa mbuya ndichaita
sekudaro" zvikanzi "gudhuu chiyenda
unoita zvekudya mugonotengesa sipo
yakasiiwa namainini vako iyi tigowana
kuwedzera Mari yesipo" ndakabva
ndavati "ndirikurwara ini mbuya
tozoyenda mangwana" ndakadaro
zvikanzi "watanga mwana wa Tayson
pedza mugonoita zvandataura tione"
ndakabuda ndichitozviudza kuti
ndaisaenda kunoitengesa dishwashing
liquid yacho. Ndakati ndiri mukitchen
ndapedza kubika soup ndokuisa sadza
mu plate ndikabuda panze
pandakanowana Gilbert aripo achitaura
zvisina basa zvekuratidza kuti anga
auya kunoita makuhwa apa ayinge
achakapfeka uniform akatanga nekuti
"Orna nhasi apinzwa busy kah
nemuzukuru wamai Madzinga" zvikanzi
nambuya "zvehwurwere hwepfungwa
izvo kutorwara nepfungwa kah
kwaarikutoita muzukuru wamai
Madzinga ikoko ungarwira Purpose ane
chii iye uya mwanawo zvake asati
avakumboziva zveupenyu izvezvi
pamwe vana bamunini nana bamukuru
vake varikudhorobha uko pamwe vatori
busy kumutsvagira basa kana zvima
course zvekuita Ivo vana vemuno vari
busy kucherechedza dzimba nemota
dzinouya pamba pavo ndidzo
dzaanodirwa kah chii chimwe
chaangadirwa" vakabva vadairwa
namainini Mai Dorothy vakanzi "icho
chichimbova chokwadi here anonyenga
vasikana here Purpose wacho" zvikanzi
nambuya "chero akasavanyenga
vanongomunyenga vari ivo unoti
musikana anorwira mukomana
angambotadza kuita chivindi
chekunyenga munhurume here
havazezi kah vana vemazuva ano" .
Vakayenderera mberi nehurukuro yavo
zvikanzi na Tete Concy "haah Orna
nhasi mbuya vako varamba newe wena"
zvikanzi na Gilbert "nhai henyu pamwe
naiyewo anotomhanya na Purpose
wacho" akanzi na mbuya "haiwa ibva
apa ndizvo zvawavinga zvekutaura
kwausina kuswera chii chaunoziva
nezvekudanana Ornament murovererei
pazvimwe zvinhu kwete zvevarume
ayiwa izvozvo ndakatomuongorora
ndikaona kuti haana chaati aziva"
ndakanganidzana maziso na Gilbert
ndikamubudisira rurimi zvekumu
svovoredza kuti wanyara wanga uchida
Kutaura zvekunyepa akazosimuka
achiyenda kumba kwavo iniwo kudivi
kwangu yekunotengesa dish washing
liquid haina kuzodzokororwa nezvayo.

Zvemusi iwoyo zvakadarika manheru


Tete Concy havana kundidhonzera
zvekare machira vaiva busy nechi
phone chavo vachimbo bwinwinyika
kuseka , next day ndakayenda
kuchikoro asi ndakasvika
ndichinodzingirwa school fees sezvo
tainge tava pedyo nekuvhara uye
kunyora ma exams ekupera kwe term
ndaitova nevamwe vangu vainge vasina
kubhadhara seni, Ndakaita three days
dzakatevedzana ndichidzorwa rechi
four yaiva Thursday handina kuyenda
asi ndakazoti kwave kumanheru kunze
kwave kutonhorera ndakatora bucket
mu kitchen ndikaoneka Tete Concy
sezvo ndivo vega vaiva pamba uye
vamwe vaiva kumunda ndakabva
ndavati "ndoda kuyenda kwa sekuru
kunotora dzimwe hembe dzangu sezvo
ndakauya neshoma dzeku chinja kana
ndava kudzoka ndobva ndauya
nemvura kubva kutsime" zvikanzi
"horaiti iribho ukurumidze kuzodzoka
uchisuka ma plates iniwo ndinenge
ndava kubika sezvo vamwe vachadzoka
kubva kumunda vakaneta kungoti
urikunopfuurira hako otherwise dai
watongoyatakura maplates acho
wonoyasukira kurwizi" ndikavati
"ndodzoka ndichisukira kuno sezvo
ndirikudzoka nemvura". Zveshuwa
ndakapinda muroad ndokudarika
nemurwizi ndichichera mvura
yakachena patsime sezvo ndainge
ndatakura bucket rayinwirwa mvura iyi
ndaida kuyendesa kwa gogo Mai
Spencer ndakaona zvisingaite
kunosvika ndakabata bucket risina
chinhu , murwizi macho
ndakazobudamo ndichifambidzana
nevamwe Mai vechidiki vainzi Mai
Charma ayotovawo musikana akatizira
amitiswa arikuchikoro uye panguva iyi
ayifanirwa kunge ari form four sa
Gilbert taitobuda murwizi tichitaura
nyaya yebhora raizotambwa
paweekend yatainge tatopinda.
Tichifamba kudaro takabuda murwizi
tichifambira mhiri yekwandayienda
kwana gogo Mai Spencer uye
taitodarika nepakati pema garden tave
kutobuda pama garden ndakaona Prog,
Tildah neumwe wavo wavaifamba naye
ayinzi Patience vairatidza kuti vaitouya
kwandaiva vachitevera inini asi
pavakandiona vakabva vamira tabuda
kunze kudaro ndakatarisa kumusoro
ndikaona Gilbert na Edimore wekwana
Prog vakamira zvekuratidza kuti ndivo
vayiona mafambiri angu ekupinda uye
kubuda kwandakaita murwizi uye ndivo
vayikwenyera girls . Musi iwoyo hana
yangu haina kurova uye handina
kunzwa kutya kunyangwe nyama
dzangu dzainge dzisisanyanyise
kurwadza ndakaramba ndichifamba
tainge tadarika ma Garden vese vari
three vasikana ava vakabva vamhoresa
Mai Charma vakadairwa zvakanaka
zvikanzi na Tildah "Ornament mira
titaurirane" ndakabva ndamira akauya
achimira pamberi pangu zvikanzi "dai
uri umwe watotura bucket rako
ndinyatso kukuona face zvakanaka
because wazonyanyisa kuti pfupikei
kwandiri" vamwe vake vakabva vaseka
ndikamuti "kupfupika kwangu hakunei
newe because hausiriwe wakandisika
plus handidye sadza kumba kwenyu"
ndainge ndonzwa kuzarirwa nehasha
zvikanzi "haudye sadza kumba kwedu
but hembe unopfeka dzekumba kwedu"
ndakabva ndaramba ndakanyarara
nekuti ayinge andiudza chokwadi
pandakadzipihwa na gogo vake ayivapo
uye ndiwo Musi wandakatanga
kumuziva. "Anyway handina kuuyira
pano kuti titaure zvatirikutaura
otherwise ndatouya kuma recovery ,
wakandirovesa na gogo vangu nekuda
kunzi wakanyanya kwako kah manje
inini nyama dzangu hadziroverwi
mahara Patie temha shamhu undipe"
akadaro akaitemherwa ndakamira
ukuwo Mai Charma vanga vakamirawo
vakati "iyiiii vasikana musamudaro Orna
hamunzwewo tsitsi here neumwe
wenyu dzimbori nyaya dzeiko
dzisingaperi tinongoita dzekunzwa mu
street umu" vasikana vakabva vaseka
zvikanzi na Prog "Mai Charma uyu here
uyu Orna hamusi kumuziva anotaura
shit musikana iyeyu imagine munhu
kutaura kuti kumba kwedu kune
zvidhoma" vachidairirana Patience
akabva atambita Tildah shamhu akati
"handichazive kuti gogo vangu
vakandirova shamhu ngani asi iwewe
ndoda kukurova five dziri strong"
akangoti kupedza kutaura achibva
andisvapura nayo iniwo pakuda
kunzvenga ndakashaiwa balance
ndichibva ndadodedza bucket
richinopwanyikira neche pakati
ndakamutendeukira Tildah ndikatanga
kumumwaya nezvibhakera vana Gilbert
vakabva vatanga kuita noise
vachimhanya kuuya kwataiva ende type
ye noise yavo yaitozivikanwa nemunhu
wese kuti kudeedzera kuti kwaita
dhudhu. Ini pazvibhakera ndaiyita
zvekumwaya manje Tildah ayiita
chibhakera chekukoka vanhu
vakatanga kuuya half half vaiva
mudhuze "Imi vabatei vanokuwadzana"
pane akasheedzera kudaro ndikanzwa
umwe achiti "vasiyei varikurwira
Purpose anenge ahwina ndiye muridzi
wemuface" takambokandanda.
Ndikanzwa kunzi "Orna tsika munhu,
Orna tsika munhu size mhani" ndi
Spencer ayidaro ndakashaiwa kuti
ayinge asvika nguvai ayiita kundikuza
kudaro achirova mukati meruoko rwake
nechibhakera "Orna kanda chibhakera
chine punch mhanhi mwana wedu" ndi
Corsy ayidaroo "Tildah wedzera speed
kani" ndi Prog akadaro zvikanzi na
Spencer "haiwee putseki nyarara mhani
Tildah awedzere Simba kudii haarove
chinhu uyu tarisa matsengerwo
ayarikuitwa Orna pwanya munhu
tiyende mhani tsika munhu manhi Orna"
akadaro achiita seacharovawo Spencer
seipapo ndakamutarisa ndikaona
achikwiridzira bhurugwa rake ende
zitrouser iroro ayiwanza kuripfeka kana
Ari pamba achiita basa rine tsvina
zvoratidza kuti ayinge angosiya
zvavayiita kumba kwavo vachimhanyira
dhudhu vese na Corsy. Tildah
ayodzosera hake but ndega ndakaona
kuti anga aneta akazomira
kundidzosera ave kubata mhino yake
yainge yobuda mututu (nose bleeding)
iniwo ndichimirawo kumurova "zvikanzi
na Edimore" wakuwadza mwana
wevanhu kah" handina kumupindura
ndakangonhonga bucket rangu
nekupwanyika kwaro ndikati kuna
Spencer "ndanga ndichiuya kumba but
apa ndava kutodzokera ne bucket iri
kumba ndinoratidza mbuya" ndakadaro
ndichinzwa kuda kutochema because
bucket racho raiva nyowani uye vainge
vakayavigirwa namainini Mai Lavender
"usacheme Orna ndivo vakutanga
obvious vana Tildah plus hauna
kuripwanya uchida" vaidaro vakamira
pamberi pangu vese na Corsy asi
handina kuzomupindura
ndakangotendeuka ndichifamba
kuyenda kumba ndichisiya vanhu
vavekudira Tildah mvura kuti ageze
mututu wake. Ndichisvika kumba
ndakawana vanhu vadzoka zvikanzi na
mbuya "handidi kutaura newe
zvakawanda mwana wa Tayson
mugomo wawakabata iwoyo
ndinongoda uwudzosere wakanaka
sekutora kwawakaita" ndakada kuzama
kutsanangura mapwanyikoro ayinge
ayita bucket vachibva vanditema ne cup
yaiva padhuze navo ndikanzvenga
zvikanzi "varikuuya bamunini vako
varikusvika havo ndoda vakurove
stereki haunzwi iwee ndivo vaisa
massage kuna Tete vako ava
varikumhiri kwavanga varonda
chikwereti chavo vachitiudza kuti
Ornament akaunganirwa nevanhu
arikurwa".

*Stay tuned........*
https://chat.whatsapp.com/IzhdHNZSF
2E1EuT3y9FAlp

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl

ȱPress apa ndokumbirawo uyise like


Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.

*̗ORNAMENT̗*
WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 11*

"Kana bamunini vacho vachida


kundirova vanondirova havo saka
manga muchida kuti Tildah wacho
andirove neshamhu ndakamira here
handina kupusa kaini" Ndakavadaro
mbuya vakanditi "hauna kupusa kudii
zvinei neni zvekurwa kwako na Tudha
iyeye chandirikuda ibucket rangu
muroora wangu akasiya andipa ma
buckets matatu akati mhayi muwane
pekuchererwa mvura iwe wavakuno
pwanya hako mugomo wangu"
vakadaro ndikavati "ndichakutengerai
bucket renyu". Zvikanzi na Tete Concy
"kumwe kuchenama soo kah
unoiwanepi Mari iwewe uchikonewa
kunyarara" ndikavati "Saka ndingaitasei
Ivo vachiti vanoda bucket ravo apa
handina kupwanya ndichida" zvikanzi
naivo mbuya "musiye iwe Concy ane
pamuromo pasingamharwi nenhunzi
ngaaritenge" kukanzi na mainini Mai
Dorothy "kumbira mbuya ruregerewo
iwe Orna" Ivo mbuya kwave kuti
"ruregerero rwekudii ngaayende kure
neni uko ndisati ndamusimukira
izvezvi" ndakabva ndafamba
ndichibuda mu kitchen ndikananga
kuimba kwatairara na Tete Concy
ndakanogara pamubhedha ndikatanga
kufunga kuti zvimwe Mai Madzinga
vaizondivinga nekuda kwekubudisa
Tildah mututu kwandainge ndaita.
Ndakambogaramo ndikazobuda
mushure mekunge ndauya
kunosheedzwa na Dorica munin'ina wa
Dorothy achinditi "kwanji na mama
huya usuke ma plates vanhu varikuda
kubika kwadoka" ayisagona kutaura
zvakanaka nekuda kwehwudiki hwake ,
ndakabva ndangosimuka ndikabuda
ndichimusiya mumba imomo. Nguva
dzandainge ndava pakati pekusuka
Tete Concy vakabva vauya
vachifemereka nehasha
pachitanangare pandaiva vakanditi
"Orna handidi zvekunetsana newe
ndirikuda mafuta angu awarasa ende
angu ndirikuyada akazara sezvaanga
akaita nekuti kwaakabva ne price yawo
haumazive" ndakamira ndakabata cup
nechisukiso mumaoko zvikanzi
"usanyepere hako mushamisika
ndogona kukukwatura izvezvi"
ndakabva ndavati "ndinorasa mafuta
enyu ndichivavarirei ndamboyabata
nguvai inini".
Nguva dzatainetsana tiri
pachitanangare panosukirwa ma plates
bamunini baba Dorothy vaitopinda ku
gate kubva kwavainzi vainge vanoronda
chikwereti chavo "yah nhasi unotsikwa
size dzungu rako rakawandisa asi angu
mafuta ndirikuyada" vakadaro vachibva
vafamba kubva pandaiva vachinopinda
mu kitchen maiva nevamwe. Bamunini
vachifamba kuuya kuchivanze Gilbert
ayivawo kumashure kwavo uye
ayiratidza kuti ayinge abva
achivamhanyira achikonewa kuvabata
"maswera sei bamunini"
ndakavamhoresa ndakazvirereka uye
ndiine kutya mukati vakangonditi "hesi
Orna" Gilbert akabva akanga kundiitira
sign neruoko rwake achinditi nhasi
unobhurwa handina chandakamudaira
ndakayenderera mberi nekusuka
ndichimira kuzodaidzirwa kurohwa
ndakazonzwa Tete Concy vachitaurira
nezwi repamusoro vachiti "ane
muyedzo zvimwe zvacho anoita seane
zvinomutuma chaarasira mafuta angu
chii nhaimi hant kuda kutsvaganawo
neni ikoko" ndakakurumidza kufunga
ndikasiya ma plates ndichiyenda
kwavaiva ndokusvika ndichimira padoor
ndikavati "handina chandinorasira
mafuta enyu ini ndinozoyarasa nhasi
koo pese apa ndairegerei kuyarasa"
vachibva vanditi "urikuto chenama
unoziva here kuti ndogona kukukwatura
izvezvi unondibvunza kuti pese apa
wairegerei kuyarasa koo bucket
rawazopwanya nhasi pese apa
wairegerei kuripwanya" . Bamunini
vakabva vati "apwanya bucket ripi"
vakanongedzerwa randainge
ndapwanya racho apa rainge raiswa
kuseri kwe door "urikumbozvi fambisa
seiko pano pamba nhaiwe Orna
haunetewo kutsiurwa?" Vakandibvunza
kudaro bamunini ndikaramba
ndakanyarara "Isu tese tatova mapenzi
kah takagara pasi iwewe wakatimirira
padoor ipapo" vakadaro mbuya
ndichibva ndafamba kupinda mukati
ndikati "mafuta atete Concy handina
kumboyarasa pamwe ndi Dorica
because ndiye wandasiya arimo time
dzandabuda ndichiuya kunosuka"
ndakadaro Mai vake vakada
kumurambira baba vacho vachibva
vamusheedza kubva panze pakaitamba
kakasvika kachiti "mati kudii baba"
akanzi "warasirei mafuta atete kuimba
yavo yavanorara uko" kakabva kapusa
pusa zvekuda kutochema kakati
"adonha ega" ndikati "mazviona kah
mamuchida kutorambira mwana hee
Orna arasa mafuta ndinomadii inini
mazifuta anonhuwa kudaro" .
Ndakataura izvozvo ndichida
kuwedzera kuvabhowawo
sekundibhowa kwavanga vaita ayiva
mafuta erudzi rwe Clare zvikanzi naivo
Tete Concy "waita luck kuti araswa
nemwana dai uri iwewe munhu mukuru
ndaiku kwatura nhasi" ndisati
ndavadaira ndakangosimuka
ndavekuda kunopedzisa kusuka
ndikanzi na bamunini "dzoka ugare pasi
apa Ornament" ndakafamba
ndichidzokera kunogara pa bench "Iko
mazombonzwa here chavarwira
nemwana wekwa Mai Madzinga"
vakadaro mbuya zvikanzi naivo
bamunini "ndidzo dziye dzatakanzwa
naivo Mai Madzinga musi uya nyaya
dzavo asi naiyewo muzukuru wavo
anoratidza kuva nepamuromo because
kwanzi ndiye atanga kurova Orna
achibuda murwizi kuyenda mhiri kwana
sekuru vake uko saka ndinoona sekuti
ndipo papwanyikira bucket irori
ndazobvunza vanga varipo mukadzi wa
Marve ndiye anditaurira nyaya yacho"
Mai Charma ndivo vairehwa zvikanzi na
mbuya "uyawo anenge achanetsawo
mwana uya achiri kurwira muzukuru
wamai Chirasha chete?" Vakabvunza
kudaro ndikati "handidanane naye ini"
zvikanzi na Gilbert "asi wakaonekwa
unaye saka mayiitei mese ku hedge
makaregerei kufamba neku road
inofambwa nevanhu vese which means
Iwewe ndiwe urikuda kutora mukomana
wemunhu" ndakabva ndanzwa
kubhowekana nekupomerwa ndichibva
ndamudaira nehasha ndikamuti "ndati
handidanane naye putseqii zigotsi
kunge pick yevaroyi ndokusaka uri
zidofo report book rako richiuya kumba
nemazi red" vanhu vese vakabva
vaseka ichowo chaiva chokwadi ayiva
dofo hake akabva aridza tsamwa
akanditi "ndichakubata" ndikamuti
"haunyare kuda kujairira inini musikana
enda unorwa nevamwe vakomana uko
kushata zimuromo rinoteura muto"
ndakamudaro ndichibuda mumba
kuyenda kunopedzisa kusuka "mwana
wa Tayson anopenga chokwadi pick
yevaroyi yaanozivira kupiko nhaimi"
vakadaro mbuya vachiseka iyewo
Gilbert zvaakasara achipindura handina
kuzvinzwa. Ndasvika panze
ndakambozvi tswinya ndega nemufaro
kuti nyaya yangu yekurwa na Tildah
yainge yatopera uye
ndaisazoirohwerwa ndakazopedza
kusuka ndikatakura ma plates angu
ndichinogara mumba maiva nevamwe
zvemusi iwoyo zvakadarika
pasisataurwe nezvangu uye Tildah na
gogo vake havana kumbouya , Gilbert
ayinge azoenda kumba kwavo . Tave
kurara ndakanzi na Tete Concy "nhasi
wotoona yekutamba angu magumbezi
usabate because wandichenamira
kunge ndine zera newe uchitaura
zvekunhuwa kwemafuta angu
zvandibhowa" ndakabva ndavati "manje
ndichangosara ndichiyafuga kana
mayenda kunoroorwa" vakabva
vanditarisa zvikanzi "waudzwa nani
izvozvo zvauri iwe nedzungu rako
utange kuudza vanhu vemuraini
ungozviita uwone" handina kuvadaira
ndichibva ndabuda kuyenda kuimba ya
mbuya vakanditi "urikufamba panze
usiku hwuno kunge muroyi urimumbo
tsvageiko nhaiwe mwana wa Tayson"
vakadaro mushure mekunge
ndasanganidzana navo panze vanenge
vaibvawo ku toilet ndikavati "Tete
Concy vandinyima magumbezi avo"
zvikanzi "unonyanya kuchenama
pamuromo too much that's why vanhu
vachikunyima zvinhu zvavo"
ndakashaiwa kuti ndovadaira kuti kudii
ndikanzwa ndave kusheedzwa na
sekuru ndakavadaira zvakanaka
vakanditi "huya utore Jira iri ufuge
muzukuru uchazonditengerawo kana
wava kushanda" ndakavhura smile
ndichipinda mumba mavo mandakanori
gamuchidzwa zvikanzi na mbuya "Imi
regai kuita semunorwara njere
mazvinzwa kah baba Tayson Jira idzva
irori ramusati mambofuka kakawanda
ndiro ramavakupa mwana?" Vakanzi
"ndichamuudza Saru kana awuya kuti
mwanangu Jira rawakanditengera
ndakapa mwana wehanzvadzi yako
nekuti ayitambura chekufuka" .

Zvikanzi nambuya "dzosera gumbezi


iroro Orna ndikutsvagire chekunofuka
ini handitorinawo machira mangwana
wotonovhura kumba kwamai vako
unotora machira ikoko" ndainge ndoda
kudzosera gumbezi ndichibva
ndapushwa nasekuru zvikanzi "enda
unorara iwe usatevedzere mbuya vako
vanoita sevanopenga munomuti
anovhura kumba kwamai vake nekuda
kwei muno machira apera here
musabate zvinhu zvemunhu nekuti
haapo regai zvakadaro kana
zvichimunyiwa nemuchenje
ngavazodzoka vachiwana zvese
zvirimo mumba navo Ivo Mai Moment"
zvikanzi naivo mbuya "kuti mwana
wavo anotora Jira kubata zvinhu
zvemunhu?" Vakabvunza kudaro.
Vakanzi "ndakataura kare kuti muridzi
wazvo mupenyu achabuda kubva
kuchitorongo kwaari regai kubata
mudziyo yemunhu iwe Nament enda
unofuka gumbezi randakupa
uchakamira nanhasi?" ndiwo madaniro
avayiita zita rangu iniwo ndakabva
ndatofamba ndichibudamo asi
ndakasiya vachinetsana na mbuya ,
Tete Concy vakangoperera
mukunditarisa negumbezi rangu
havana kumbondibvunza nezvazvo.
Kuseni kwezuva rakatevera makuseni
ndapedza basa ndipo pandakazoyenda
kwasekuru baba Spencer asi
ndakanowana kuina Simba na Corsy
chete vachiti vamwe vaenda kumunda
ndakawana pamba pasina chainge
chaitwa ndokusiya ndaita basa rese
musanganisira mvura ndakasiya
ndachera tichibatsirana na Corsy
ndapedza ndakazotora hembe dzangu
ndichidzokera kwedu Kwa Zhou , next
day ndiko kwaiuya MP musha wese
takayenda ndiri seni ndakakurumidza
kubuda pamba ndichitira kunobata
nzvimbo . Program yakazotanga ini
ndainge ndakagara hangu pasi asi ndiri
kumberi mberi chaiko zvekuti
ndaikwanisa kuona zvese
ndikazosimuka vanhu vave kunoona
bhora ndidzowo nguva dzaibuda MP
nehwumwe hwutungamiriri ini
pakangopera bhora ndakabva ndapinda
muroad ndega sezvo nmkunze kwainge
kwave kusviba uye hapana wekumba
wandaikwanisa kutsvaga ndikaona ,
muroad maisatyisa sezvo mainge
makawandwa asi ndakati
ndichitofamba kudaro ndakavhunduka
ndanzwa munhu ayifemera mugotsi
mangu zvoratidza kuti ayinge abva
achimhanya akasvika ndekundibata
mumapfudzi achindi hugger kuti
ndimire "nhaiwe unepenga here
Purpose urikundibatirei"
ndakamubvunza kudaro nehasha iye
akandipindura mukufemereka Ikoko
achindibata ruoko zvikanzi "ndozviziva
hangu kuti unokurumidza kushatirwa
but imbomira izvozvo ngatidzokere
kumashops zve two minutes
ndozokuperekedza kumba".

*Stay tuned.....*
https://chat.whatsapp.com/IwZkDL2w
8N1Dxz0paJAfGu

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl

ȱPress apa ndokumbirawo uyise like


Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.

*̗ORNAMENT̗*
WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*
*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 12*

Ndisati ndamupindura Purpose


ndakatanga ndatarisa kumashure
kwandainge ndabva kuriku calculator
distance ndikamuti "urikuda kunodii
neni kuma shops" ndakamubvunza
kudaro zvikanzi "asi paye takawirirana
wani nhai Orna kuti ndichakutengera
zvima nice inyaya yekuti ndanonoka
kubuda mu ground apa manje Mai Luke
vatoyenda nema bans avo plus chero
dai tavawana tinongowana apera
ndokusaka ndirikukuti handei kuma
shops". Ndakatanga ndatura mafemo
ndichifunga kuti ndodzokera
kunotengerwa here kana kuti ndorega
chokwadi chaicho ndechekuti ndaida
asi kuti ndaitya kuzoonekwa ndiinaye
uye ndichitengerwa zvinhu "watiiko
Orna hausi kupindura wani"
akandibvunza kudaro ndikamuti "iyiii
hazviite hako Purpose ndinozoonekwa
nevanhu ndiinewe vakanoudza vanhu
vekumba kwedu plus zvinonetsa vana
Prog nana Tildah vako vakandiona
ndinewe vanobva vatofungira
zvisirizvo" ndakataura izvozvo iye
achizvi fena ne t-shirt yake yaayinge
akabata mumaoko sezvo ipapo ayinge
akapfeka jersey re team yavo
yekubhora "zvana Tildah nana Prog
zvaurikutaura hazvina basa Orna dai
watosimbisa hako point yevanhu
vekumba kwenyu yawataura yeah
zvinoteerereka but still handione hangu
chakaipa pakufamba kwangu newe
inga mukomana paanga aripo
waimbofamba kana kutambira patiri
tese wani". Akadaro ipapo ayinge amira
kuzvi fena iniwo ndokutanga ndatarisa
zvekare kumashops ndikamuti "iyo Mari
yaurikuda kunditengera nayo
wamboiwana kupiko" akabva aseka
zvikanzi "ndizvo zvinoitwa nemunhu
anoda kutengerwa here izvozvo
zvekutanga abvunza kwabva mari
ngatingoyendai chete iwewe" akadaro
ave kutondidhonza ruoko ndikati
"ayewa Purpose kani handidi ndisiye
ndiende kumba kwedu" ndakadaro
ndichidhonza ruoko rwangu kubva
muruoko rwake paakada kundibata futi
ndakamunzvenga ndichibva
ndamhanya "Iwee Orna" ndakamunzwa
achidaro asi handina kumudaira nekuti
ndainge ndava shamwari yemhepo
ndakananga kwedu Kwa Zhou
pandakaneta nekumhanya ndipo
pandakazopedzisa rwendo rwangu
ndichifamba. Ndakasvika vanhu vakuru
chete variivo vainge vasvika kumba
mainini Mai Dorothy vave kutobika
ndikanzi na sekuru Zhou "nguva
dzamasvika idzi hadzifambwe
nemunhukadzi vama Ndlovu munhu
kana urikunze ukaona kunze kwave
kusviba unopinda munzira
kuchakachena nekuti kufamba usiku
kwakaipira kuti hauzive zvaunga
sangana nazvo munzira umu uye
unogona kushaiwa anokurwira"
vakataura izvozvo vakanzi na mbuya
"haiwawo regai kushaiwa zvekutaura
imi bambo Tayson zvinomuwana zvei
mwana okonewa kutamba nevamwe
achiti kwanzi kune zvinomuwana here
ndinhasi chete pavabuda zvekudzoka
usiku wani ndizvo zvinongoitwa
nevanana imi muchiti anga ari ega here
munzira imomu hant nesuwo tatobvako
ku ground uko munzira mese
tichishaiwa pekutsika nekuda
kwekuwanda kwevanhu?".

Zvikanzi naivo sekuru "kana ndichitaura


nemwana munadzidza kunyarara
..zvandataura wazvinzwa kah
Nament?" ndakabva ndavadaira
zvakanaka ndikavati "horaiti sekuru"
zvikanzi "yeah usatevedzere mbuya
vako ava" Ivo mbuya vakati
"kunditevedzera kwekudii
kwamunotaura doyenda hako
unonditorera rusero rwuri pamusoro
pechi cabard muimba medu matinorara
umo iwe Orna". Ndakasimuka
ndichibuda mu kitchen ndikatanga
ndananga medu matairara ndichinosiya
bhutsu dzangu ndokuzonotora rusero
rwandainge ndatumwa urwo rwaiva
nenyama yechimukuyu moyo wangu
wakatadza kudzoreka ndikadambura
kadiki kandakatsengera panze
ndikanosvika mu kitchen ndapedza
zvikanzi na mbuya "wanga uchiri
kuiteiko" vakandibvunza kudaro
ndichivagamuchidza rusero rwacho asi
ndichi gadzika pasi nguva
dzandakashama muromo ndichivati
"ndanga ndanosiya bhutsu dzang
Mumba medu" ndakabva
ndatambidzwa mbama ndakavarairwa
ndikati "iyiii mbuya" zvikanzi "usati pwi
mbuya pwi mbuya zvenhema
ndokusimukira izvezvi handidi munhu
akajaidzwa zvisina basa ini"
ndakafamba ndakabata dama rangu
ndichinogara pa bench zvikanzi na
sekuru "kwakanaka here kwamunorova
mwana kudaro nhaimi" vakanzi "chiiko
chirikumboku shupai nhaimi VaZhou
munondiona ndiri murwere wepfungwa
zvekuti ndingarova mwana pasina
chaayita ini?" Vakanzi "adii". Zvikanzi
naivo mbuya "ndomutuma usavi
ombonotanga adya ozouya nawo
munoona zvichiita izvozvo hunhu rudzii
ihwowo....buruka pa bench ipapo ugare
pasi akakuudza kuti munhukadzi
anogara pa bench ndiyani" vakandidaro
ndikadzika ndichigara pachikumba
chembudzi (dehwe) "zvino
mungarovera mwana nyama
muchikonewa kungotaura zvakanaka?"
Vakadaro sekuru vakatanga kuchinjana
mashoko naivo mbuya Bamunini baba
Dorothy vakangosvikirawo nyaya iri
pakati vanzwa nyaya yacho vakangoti
"zva Orna mungazvitevera
mukazvigona here zvimwe
ndinotomboona nekufunga kuti zvimwe
misikanzwa yake ndeye zera racho but
unotozoona kuti kushota shamhu
mwana haadi kuregeredzwa achiita
sebenzi nemanetsero anoita usavi
munhu wombobubuna wakadaro
shuwa?" Vakatanga kudairirana nyaya
iyoyo zvikazonzi na sekuru "chitauraiwo
nyaya ichipera kana zvanetsa monyima
ini momupakurira iye usavi hwacho,
aripi Conciliar". Vainge vasati
vadzokawo Tete Concy zvikanzi na
mbuya "munomudii achiri mwanana
here Concy wamungaswera
muchiteverera kuti aripi iye munhu oda
kunotanga musha wake ndiye
wamunga swera muchipfudza shuwa?"
nguva idzodzo mainini vakabva vabuda
asi vachangobuda ndakanzwa vachiti
"munoda kurohwa imi manga muchiri
kuitei inguva dzekusvika kumba here
idzodzi" pakudairwa ndakazonzwa kuti
vaivawo vana Dorothy pavakapinda
mumba vakatanga vamboswedza
vanhu ndikaona Tariro hanzvadzi ya
Gilbert achitswinya tswinya umwe wake
uyo akazoti "sisi Orna tavaona
vakabatwa ruoko na Purpose muroad"
ndakarohwa nehana sezvo ndainge
ndisina kuzvitarisira zvikanzi nambuya
"haah imi muchaitawo marevo asina
basa imi mavaona vachiitei?".
Yakabva yadairwa na Bamunini vakati
"hatichatauri tikanzwa zva Purpose
iyeye nekuti musi uno maimurambira
zvino vana vanganyepa here nhai Amai"
ndakabva ndadaira ndega ndichizama
kuzvi defender ndikati "iyiii Dorothy
haunyare" vakadairirana na Tariro
vachiti "ehe takuonai isusu tanga
tirikumashure kwenyu pawationa
wabva watanga kumhanya uchiuya
kumba" ndakaona kuti zveshuwa
ndainge ndaonekwa asi kuti
ndivatsanangurire nyaya yacho
zvaisanzwikwa nehasha ndakabva
ndati "kana mationa ndizvozvo saka
murikudei chipihwai kah masweets
acho eku reporter kwamaita
zvimbwasungata zvevanhu zvimaziso
zvisina shape kunge zvimatumbu kunge
madzambarafuta ncxaa ndinogona
kukutsemurai izvezvi mutsipa kunge
mutanda webhasikoro revaroyi" .
Ndizvo zvandayiita kana ndatsamwa
ndainzwa kuzarirwa nemashoko uye
ndikatukirira munhu ndichimuudza
zvehwuroyi kana zvidhoma ndainzwa
sekunge ndinenge ndamurwadzisa
zvakanyanya kudarika zvaanenge
andiita "ndokurova iwe ukaita sebenzi
haudi kuregererwa Ivo varoyi
unovazivira kupi vaunogara uchiimba
nezvavo kudaro , unofunga kuti
zvinodadisa here zvekuonekwa une
mukomana ndokurova izvezvi unomudii
mukomana iwewe unotokundwa
nevana kuziva kuti kuita mukomana
chinhu chakaipa vanoziva kuipa kwazvo
ndokusaka vauya vachireva kuno
kumba saka unotiita mapenzi pano
uchiramba zvekunzi unodanana na
Purpose Iwee?" Vakadaro bamunini
ndikavati "handidanane naye ini" vakada
kusimuka nehasha vachidhonza tsotso
dzainge dzabva namainini panze
vakadzorwa naiye mukadzi wavo
vachibatsirwa na mbuya avo vakabva
vati "mwana haangatange nekurohwa
asi anoda kutoudzwa kuti azive kuipa
kwazvo nekuti akamitiswa pano tinenge
tisingachamudi tingamudii munhu
anenge akura anongonangawo ikoko
kwa Chirasha" vakadaro mbuya .
Zvikanzi namainini "iye Purpose
avakutogonawo kunyenga vasikana
here inga avakutokurawo musoro zvino
anovapei iye achitochengetwawo"
zvikanzi na mbuya "ndiko
kusatochengeteka kwacho ikoko tsvee
kuti afunge hwunherera hwake
omhanyisana nevana vevanhu muno
mumusha naivowo vana ava vanoda
kurohwa haiwaaa" vakadaro vakanzi
nasekuru "Saka munhu akava nherera
orega kupinda murudo kana kuwana
waanoda here ingotaurai zvakanaka
kuti haanawo chaanacho sezvo
achiriwo mwana" vanhu vese vakabva
vavatarisa sekuru "nhai mambodyeiko
nhaimi baba Tayson kasi mazvimbirwa
nenyama yembudzi yamadya
kumusangano uno here" tese takabva
taseka nekuda kwematauriro avakaita
mbuya mbudzi yairehwa kwainge
kwaitwa mabiko kumusangano kwacho
kwatainge tabva . "Kana tichitsiura
tinoita setinomuvenga Orna uyu asi
regai tinyarare muregei akadaro
nedzungu rake seuyu nekuchenama
kwake ikoku mangwana tichamunzwira
manje kana uchinyengedzwa uchinzi
Purpose haayite zvevasikana unenge
uchizvinyepera kufadzwa nenhema
chaidzo mupfanha uye ane
musikanzwa uye ndikati ndikutaurire
ndakambosangana naye kusango
kwandaitema matanda edanga mazuva
atanga vanhu kucherera mbeu pasi
ndakamuona ane mukadzi wemunhu
paari iye nemukadzi iyeye vanozviziva
kuti ndakavaona asi hatingozotauri
chete nekuti dzimwe nyaya
dzinozorema". Vanhu vese vakaratidza
kushamisika zvikanzi naivo Bamunini
"ane musikanzwa mupfana uya
ndofunga vaitoita zvinhu zvavo vese na
Moment pese vanhu pavanoti hee
Purpose anenge akasungwa
zvekusagona kumisa vasikana inhema
anoziva kwaanotambira" vakadaro
zvikanzi na mbuya "vana vemazuva ano
vakambodiiko nhaimi koo matyira
vakaisa kupiko mukadzi wemunhu
unorevesa here nhai mwanangu?"
Zvikanzi na bamunini "ndinopika
nemwana wangu Dorothy ari apa uyu
amai" vakanzi namainini "zvino
zvamava kutaura izvo hazvizodi
pamberi pevana ava mangwana
tinozonzwa yobudira nekumwe" vana
vacho vakabva vakutsaniranwa vachinzi
anenge angozviti bufu chete
ayizochiona. Vanhu vakayenderera
mberi vachinditsiura nekuda kwenyaya
ya Purpose uyo wandaitoona
sevaitambisa nguva yavo sezvo
ndaiziva kuti handinei naye ,Tete Concy
vakazosvika vanhu tave pakati pekudya
asi hapana akavabvunza kana kutsiura
kuti vainge vanonokerei kupinda
mumba. Zvemusi iwoyo zvakadarika,
mangwana ezuva rakatevera yaiva
Sunday ndaiva pamba panguva
dzandaida kuwacha uniform yangu
ndakabva ndanzi na Tete Concy ndimire
kuwacha uye ndibude navo kuyenda
kuma shops vakanditi ndigeze uye
ndipfeke zvirinaniwo iniwo nekusada
kuvamakisira ndakaita sezvavainge
vareva ndokubuda tichibva pamba
takananga kuma shops uko kwatakati
tave kusvika zvikanzi "pane munhu
watauya kunoona" ndakatovati "munhu
weyi ndiyani iyeye" zvikanzi "unozoona
tasvika".
Takati tasvika kuma shops kwacho
ndokupfuurira ndikavati "tirikuyenda
kupiko nhaimi Tete" zvikanzi "dzikama
Orna zvauri iwe uchanondimakisa
kumberi ikoku" semunhu ayisadawo
kunomakisa ndakabva ndanyarara
takadarikira pamashops
tikambotevedza chi road patakaona
kamota kaiva kakamira muroad ini
ndakadzora speed ndavekutya sezvo
taiva mu dust road pasina kana dzimba
"Koo wavakumirirei tatosvika wani ah
iwe Orna uchandimakisawo iwe".
Ndakabva ndavati "iyiii ndirikutotya kuti
pamwe kamota ako mabinya" vakabva
vaseka zvikanzi "nhaiwe hindava soo
ungabva waita kunge baba vako vasina
mota kudaro here handei ndivo
bamukuru vako vanogara vachiti
vanoda kukuona" ndakabva ndavati "iyiii
imi kundiona kuti vakandizivira kupi?"
zvikanzi "paphone havo pandinotaura
navo manheru ndichivati ndakarara
nemuzukuru wangu" ndakabva ndavati
"horaiti iyii but ndinonyara ndinonovati
chii manje" zvikanzi "unongoonawo but
uyite munhu kwaye" takafamba
tichinosvika paka mota kaye ini
ndakamira nechekuma shure ivo Tete
kwave kuyenda kumberi kwave kutaura
vakatarisa munhu ayiva mukati vakati
"tasvika". Door remota rakabva
ravhurwa muchibuda umwe mukomana
wandingangoti murume wandakatanga
kubhowekana naye nekuda kwezuda
plus mazindebvu akati "ndicho
chimainini changu here ichi zvirisei
mainini"akadaro achifamba kuuya
kwandaiva ndikatamba nudza ruoko
ndichiti "makadii bamukuru" ndakadaro
ndichi tyora muzura asi ivo pavakabata
ruoko rwangu vakabva vandidhonzera
pavari zvikanzi "ndiri murume wenyu
handiyere ini mainini" vaidaro
vandimbundura ini nekunyara
ndakangonyepera kusekerera
ndichizvibvisa pavari vakati "muzukuru
wa Concy anenge anovhundukira
vhundukira" . Ivo Tete vakabva vaseka
vakati "haazvizive kah nhaiwe saka
urisei" vakabva vambundirwawo
vakanzi "manje toda kuti kunyara
kwamainini kupere kana kuti
tovatsvagira mukomana ndizvo kah?"
Ivo tete vakabva vaseka vakati "usadaro
mwana kani Honest" ndakatoziva kuti
bamukuru vainzi Honest vakanzi
"mwana here uyu manje nditori
nemuface wangu arikuda babe
ndichatouya naye next time" nyaya
dzavo ndaisadzifarira ndainzwa
kutonyara kaphone katete Concy
kakabva ka ringer vakandi tarisa vakati
"ndibaba vako varikufona Orna"
vachipedza kudaro vakabva vadaira
vakafamba famba vachibva patiri
vachiti "hello ,hello mukoma" kwaiva
kunetsa kwe network "Saka matiiko
mainini" ndakacheukira bamukuru
vachindidaro zvikanzi "kasi ndinotyisa
here swederai kah padhuze tinzwe"
vaidaro vakagara pa sit re steering
vakarembedza makumbo panze
ndikavati "taurai nyaya yenyu" zvikanzi
pane zvandirikuda kukubvunzai"
ndikavati "zvei" zvikanzi "mune
mukomana here" ndakaipisa face
zvekuisunga ndikavati "ndinomudii"
zvikanzi "Saka magaro haana munhu
here aya ndipei ndimadye kah zvatete
venyu tomboisa paside" vaitaura zvine
kundi tsvetera ndikavati "handizvide
ndizvo zvinokupai kuita mazindebvu
kunge chisukiso chema bhodho ekwa
marange". Ndaidaro ndatoipirwa Ivo
vachibva vaseka zvekuputika nesetswa
ipapo Tete Concy vaitodzokawo patiri
vakati "Koo hindava nhai Orna hunhu
rudzii ihwowo" ndakangoridza tsamwa
ndichibva ndatotendeuka ndichitevedza
road yekudzokera kumba, Ivo tete
pavakasvika kumba vakawana
ndichitopedzisa kuyanika uniform
yangu vakananga pamumvuri painge
pakagarwa nevanhu vakati "Koo
zvandinoitirwa nemuzukuru wenyu
nhaimi Amai" vaidaro Kuna mbuya
vakanzi "adii futi" vakati "ndatotiwo
ndirikuyenda nemuzukuru
kunomuratidza bamukuru tosvika kuye
arikungosekerera sebenzi achibvuma
kumbindirwa mbundirwa after that
avakusiya atuka bamukuru hwunhu
rudzii ihwowo ini chero ndikanzi
ndayenda kumba kwangu handidi
kumuona" vakadaro vachiratidza
kutsamwa kwave kuridza tsamwa
vachibvapo kunopinda mumba zvikanzi
nambuya "hunhu rudzii ihwowo nhaiwe
Ornament" ndikavati "ndambova
kumbira kuti vayende Neni here ini plus
murume wavo ndiye andimbundira ega
handina kumukumbira".
Mainini Mai Dorothy namai Gilbert
vakabva vaseka "kwanga kusiri
kutamba chiramu here" vakadaro
mainini Mai Gilbert zvikanzi ndambuya
"chiramu chei ndipo pazvinotangira
ipapa" zvikanzi namai Dorothy
"hamurevi nhema Amai vana mainini
vari dangerous kuvarume vana sisi
nana Tete" ndaida kuzama
kuzvishingisa asi ndakapedzisira
ndatodonhedza misodzi ndiri pawashen
yangu. Zvevakomana nevarume
pfungwa iyoyo yaisava mandiri Saka
kupomerwa zvinhu zvakaita saizvozvo
ndainzwa sekunge ndaomeserwa
zvakanyanyisa worse seipapo
ndichipomerwa kuda murume watete
,nguva zhinji ndayigara ndichizviudza
kuti kana ndichizova nemukomana
ndaizoita uye kuroorwa kana mhama
vangu vabuda mujeri hope
yekuyenderera mberi nechikoro ndainge
ndisisina kubva zvainge pasungwa
mukoma Moment plus kudzingirwa
school fees kwandainge ndaitwa
svondo rese ndakaona kusina chiedza
kumberi. Zvemusi iwoyo ndakaona kuti
takazovirirwa mbuya na Tete Concy
vachingondiitira twuma attitudes plus
ma moods iniwo ndakasiya vakadaro.
Musvondo ratakapinda ndaifungira kuti
zvimwe vana Tildah vachatangana neni
asi havana Monday chaiyo kuchikoro
vanhu vakamboda kumutsidzira nyaya
asi haina kure kwayakaenda uye
svondo iroro hatina kudzingwa
kuchikoro sezvo tainge tonyora ma test
ende Purpose na Tildah vainge
vodanana zvataiona tese
vachichingurana panguva dzedu
dzekubva kuchikoro kusanganisira
Kelvin wa Prog. Iniwo kumba
ndaiwanza kuyenda nechikwata changu
chekumaraini kwana Spence
tozonoparadzana tava ku village
ndichinanga kwedu , kumba ndanga
ndatojaira kutukwa nekutsiurwa
kasingaperi uye ndainge
ndisisabatikane nazvo ,takasvika
pakupedza kunyora ma test kuchikoro
tikavhara asi handina kubuda
zvakanaka pama results angu ndainge
ndakadzikira zvakanyanyisa. Mazuva
atainge tichangobva kunovhara chikoro
nguva dzangu zhinji ndainge ndogara
ndichifunga mukoma Moment
kunyanya kutodarika mhama serimwe
zuva Mai Luke vakadarika pamba nema
bans avo kukatengerwa vadiki chete
ndakarwadziwa ndikafunga kuti dai
mukoma vangu varipo havo , mu
mazuva iwayo kumba kwedu vanhu
vainge vave busy nekugadzirira zuva re
marooro atete Concy mazuva acho
ayinge asvika. Ndakazotumwa
nambuya kwevamwe vainzi Mai
Nyamaropa kuno bhukisa ma plastic
chairs sezvo vayiita zvekuya highsa uye
kumba kwavo kwainge kwakati rebei
zvekuti taidarika mashops asi ndiri
munzira kuyendako ndichangoti darikei
pama shops ndakasangana neka mota
kabamukuru murume wa Tete Concy
Ivo vakatomisa mota yavo
vachindimhoresa ndikatova
mhoresawo zvine hunhu havana
kumbotaura zvekuvatuka kwandakasiya
ndaita zvikanzi "mirikuenda kupi nhai
mainini" ndakavaudza kwave
kumbonyarara vachikwenya chirebvu
chavo kunge vane zvavaifunga
vakazonditi "pindai mumota titaure zve
two minutes kana muchitya kuonekwa
pindai ndonotsvaga kweku packer"
ndikavati "ayewa hazviite
ndirikumhanyira kwandatumwa"
zvikanzi "muri form chii zviye four
handiti?" Ndikati "ayewa ndiri form
three" zvikanzi "hoo hah muchiri mwana
ok tozotaura chimhanyai kwamatumwa
but musazoite musikanzwa yevakoma
kuchikoro dai hangu ndakatanga kuona
imi before Tete venyu" matauriro avo
haana kundiitira zvakanaka pakuti
ndaiti ndikaudzwa zvakarerekera
kunezve rudo ndainzwa kutsamwa
mandiri "toonana bamukuru"
Ndakadaro ndavekutofamba zvikanzi
"mavakutizeiko futi huyai mutore Mari
yema biscuits iyi" ndakacheuka
ndikaona vakaibata zveshuwa asi tsoka
dzangu dzakarema kuti kuti dzi turn
kudzokera. Ndakangovadzungu dzira
musoro zvekuramba ndikaona vamutsa
mota yavo vave kuyenda ini
ndichiyendawo kwangu, ndakasvika
ndikareva zvandainge ndatumwa asi
pakudzokera kumba ndakati ndasvika
muchi dust road same chainge
chakamira kamota kabamukuru
murume wa Tete Concy ndakabva
ndaona Purpose hana yangu
zvekuvhundukira ipapo ayibudikira
achibva muchisango achipinda muroad.
Ndikashaiwa kuti ayiita nezvei
ndakaramba ndichifamba
ndikazoonawo Tildah achibvawo same
side uye achizvi gadzirisa gadzirisa
hembe dzake mukomana akabva amira
pakati pe road akatarisa kwandaibva
zvekunditarisa inini kutaura chokwadi
ndakangonzwa chigodo pahuro
chandisina kuziva kuti chaiva chei.
Ndave kusvika pavaiva ndakanzwa
Tildah achiti "handei koo tirikumirirei
nhaiwe" haana kupindurwa ndaida
kutova pfuurira ndisina wandataudza
iye Purpose achibva andibata ruoko
akanditi "haunyare?" Ndikamuti
"kunyarei kasi handina kupfeka?"
Ndakadaro ndichitarisa musikana wake
uyo wandakawana akanditarisawo
achiratidza kubhowekana neni
"zvirikurevei zvaurikuita izvi pamberi
pangu Purpose" akabvunza kudaro
Tildah iye ayibvunzwa wacho haana
kupindura akaramba akandibata zvine
simba iniwo ndichizama kubvisa ruoko
rwangu rwaanga akabata akati "Orna
chii newe zvinodanzwo here nhai "
Tildah akabva aridza tsamwa akati
"kana wavakuda zvekutaura neni
wozonditevera ndaneta
nekunyengerera plus wava kutondiitisa
kunge benzi Purpose" zvikanzi naiye
Purpose "takataurirana wani ndirikuda
kutomubvunza kuti wakamuti sorry
zveshuwa here" . Tildah wacho akabva
aridza tsamwa ndokutanga kufamba
achibva pataiva zvakaita kuti ndirambe
ndakamutarisa ndichikonewa kuziva
kuti ayimbozama kudii chaizvo
pandakadzosera maziso angu Kuna
Purpose ndichida kumuti andisiye
ndakawana akanditarisawo kumeso
chaiko zvakaita kuti ndinzwe kunyara
kwakapetwa zvikanzi "musi uye
wakazongondi tiza kah hameno
zvaunenge uchingoita Soo Orna asi
ndaida kutonokutengera ma nice
andaitofungura kuti ayizondibatsira kuti
undinzwisise because ndaida kutokutu
sorry nemadhiri awakaitiewa nana
Tildah" ndakabva ndamuti "Sha
zvakatodarika izvo ndizvo
zvauchirikutaura nanhasi here
chindisiya hako ruoko rwangu".
Mabatiro ayainge akandiita ayiita kuti
ndinzwe kunyara zvikanzi
"imbodzikamawo soo Orna pamwe
pacho ita semunhu mukuru Soo ,but
hona yah zvakadarika asi kuti ndizive
kuti zveshuwa wagamuchira sorry
yangu kah ndongodawo one favor"
ndikamuti "favor yei iyoyo?"
Ndakamubvunza kudaro ndichimutarisa
kumeso zvikanzi "hant team yedu
takahwinha here pakauya mp Saka tine
game neimwe ward but tirikutotambira
ikoko so unofanirwa kunge uriko"
ndakabva ndamuti "aah ku Uzumba
ward 5 kwakurikuyenda here ndoiwana
kupi Mari yekukwira iyiii plus kumba
ndobuda ndichiti kudii kubhora
ndinotoda hangu kuyenda but
zvaurikutaura Purpose hazvibude"
zvikanzi "zvinotadza nei kubuda
ndokukwidza inini ndotogara ndaita
plan" ndakabva ndaseka ndikamuti "hoo
zviye mune kamari kamakapihwa kubva
kuna mp pa team yenyu nhai ndiko
karikukupa kusagadzikana kudaro
chindisiya hako" ndakabva ndabvisa
ruoko rwangu kubva paanga akandibata
zvikanzi "unotaurisawo iwe dai uri
munhu akati rebei ndaitoendawo newe
kunoona mukomana tosvika tichinyepa
makore Ako tongoti chitupa wakarasa"
akadaro zvinekundidenha. Ndichibva
ndamusikidza mbama achiseka time
dzaayindinzvenga takacheukirana
mushure mekunge tanzwa sound
yemota but kuti titize zvakarema nekuti
tainge tatoonekwa apa yaiva mota ya
baba vangu ndaizviziva kuti vaiya musi
iwoyo asi handina kuziva kuti ndidzo
nguva dzavo kwaiva kuuya kumarooro
atete Concy, kuipa kwazvo pavakasvika
pataiva mainini na Lavender ndivo
vakadarika vakaisa maziso avo patiri
asi baba vakaramba vakamenya
serious vakabata steering
vachitidarikira . Ndakatarisa Purpose
ndikamuona achikwenya kwenya
musoro zvekupererwa "haah pakaipa"
akadaro ndikashaiwa kuti ndomutiwo
kudii ndichibva ndangotanga kufamba
ndichitevera mumashure me dust
rainge rapfumburwa nemota yababa
ndavakunangawo kumba kwavanga
vayenda.
*Stay tuned........*
Follow this link to join my WhatsApp
group:
https://chat.whatsapp.com/CaovjVgyF
7JGf23RQAqDAP

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl

ȱPress apa ndokumbirawo uyise like


Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.

*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI
*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 13*
Ndichangoti fambei zvishoma
ndakazocheuka mushure mekunge
ndanzwa mutsindo wemunhu
ayimhanya ndokuona ari Purpose
zvikanzi "better ndiyende newe kumba
kwenyu ndotonosvika newe" ndakabva
ndamira ndichimutarisa ndikati
"wakakwana here iwe kunosvika neni
uchidei" zvikanzi "ndonozama kutaura
na mudhara vako kuti vasazofungire
gape risipo"ndakambonyarara
ndichizama kubatanidza nekuona kuti
zvayiita here asi zvakandirambira
ndikanzwa iye avakuti "I think
urikunyanya kufunga zvakanyanyisa
Orna apa ndofanirwa kunosvika newe
ndonovabudisira point yekuti
ndinotongokuona sechi sisi changu
sezvo ndiri shamwari ya Moment".
Ndakamutarisa zvekare ndikamuti "Siya
hako Purpose for now enda unoita zva
Tildah wako ini imbondisiya"
Ndakadaro ndichitaura zvine hasha
dzakasangana ne fear iye paakada
kutaura something handina kuda
kumuteerera ndakabva ndamhanya
ndichibva paari kwaiva kuzama kuda
kunokurumidza kusvika kumba ,ndayiti
ndikamhanya ndombofamba
ndichishandisa zvinzira
zvekudamburira.Ndakanosvika kumba
ndikawana vese vakagara mu kitchen
yambuya vangu sezvo ndimo maigarwa
kana vanhu vese vachiita zvinhu kana
kuita hurukiro dzine hwumwe chete. Asi
ini pandaifamba ndichinopindamo
ndainzwa kupera simba mumabvi uku
hana ichirova ndakasvika mu kitchen
ndokugara pasaga rainge
rakagarirwawo nambuya "makadii baba
,makadii mainini.. hesi Lavender"
ndakavamhoresa vese vakandidaira
zvikanzi nambuya "haugoni kuti mhama
here nhaiwe Orna mainini kudii"
handina kuvadaida nekuti ndaisada
kuvati mhama saka mbuya
ndakavanyararira "wavaona here vekwa
Nyamaropa?" vakandibvunza kudaro
zvekare mbuya ndikavati "ehe kwanzi
munouya muchitora ..pandanga
ndichiyenda ndasangana nemurume
wenyu Tete Concy" ndakataura kudaro
ndave kutowochoka kutaura
zvandainge ndisina kubvunza zvinova
zvaikonzerwa nekutya kuonekwa ndina
Purpose kwaiva mandiri "wagovawona
ukadii zvino waitawo hwunhu kwahwo?"
Vakandibvunza kudaro mbuya
vakadairwa na Tete Concy vachinzi
"hwunhu hwupi izvezvi zvauriwe waita
zvisina basa soo Orna" .

Kufungirwa Ikoko ndaisakuda uye


kwaisandiitira zvakanaka ndikaramba
ndakanyarara "kunyarara kwake ikoku
kunotoreva zvakawanda" vakadaro Tete
Concy ndikavati "zvakawanda zvei dai
muchimboziva kuti zvinobhowa sei
zvekufungirwa kah musingambodaro
kana muchifungidzira kuti ndinoda
zimurume renyu nemandebvu arene
plus zizuda ndinoridii ini handina
kudzungaira kaini" ndakavadaro
zvikanzi "Saka akadzungaira ndiyani
urikuzama kuti ndini ndakadzungaira
here". Ndakabva ndavati "hameno kana
zviri izvo zvamafunga nekuti ini handina
kudaro" zvikanzi namainini Mai
Lavender "kutaura na Tete rudzii
kwaurikuita ikoko nhaiwe Orna
unomboziva kuti nditete here ava ende
futi munhu mukuru kwauri by far"
zvikanzi na baba "kana ava kuziva
kumira nezvikomana munzira umu
avakutoona akura zvekuyenzana navo
anoda kurohwa" vakabva vanzi na
mbuya "unoreveiko nhai mwanangu
Kasi mune zvamakanzwa here
mayererano nemafambiro emwana"
zvikanzi naivo baba "zvandakanzwa
nani tamuona tichiuya kuno izvezvi
hameno chimwe chikomana chaanga
achitamba nacho muroad imomu"
vanhu vase mumwe nemumwe akabva
aratidza kushamisika "izvezvi ndi
Purpose waanga anaye" vakadaro Tete
Concy. Ndikanzi nambuya "ndiye
Purpose here nhaiwe Ornament"
handina kuvapindura asi chiso changu
chakazviratidza chega kuti ndiye
zvikanzi namainini Mai Lavender "Kasi
vanosifambidzana kani?" Vakadairwa
na Bamunini baba Dorothy vachinzi
"tatonetawo nenyaya ya Purpose wacho
pano kurwa nekurwa vachirwira
Purpose iyeye" zvikanzi na baba
"anorwa ndiyani iye Orna here nanhasi
achirikuita zvekurwa nevamwe
pandakakurova shamhu haina kupinda
ndizvo kah?" Vakandibvunza kudaro asi
handina kupindura zvekare vakati
"ndewekupiko Purpose iyeye" zvikanzi
na Bamunini "ndewe Kwa Chirasha
mwana wa Jonathan" baba vakabva
vati "hoo ndiye wandaona uya
zvaatokura asi uyu anoda kurohwa
waita luck kuti ndaneta neku driver
otherwise ndaikudzidzisa chikoro
hausati wakura zvekuziva kutamba
nevakomana iwe ,mukanzwa kuti vanga
vari vese chero anenge angovaona
muzondiudza nekuti mwana haadi
kuramba ongotsiurwa pamba ini
ndatouya ndichiti zvimwe ndinowana
achinjawo ava mwana kwaye izvo
arikutowedzera misikanzwa yacho
urikuda kunetsa kaiwewe?"
Vakandibvunza zvekare asi
ndakaramba ndakanyarara. Zvikanzi na
sekuru Zhou "uyu hapana
paangamboenda Kwa Chirasha uko
kunodana chikomana ichocho asi
ndoona sekuti ndicho chinomuteverera
imi kana musingade kuona zvinhu
zvakaita saizvozvo dai manoona
vabereki vekuchikomana ichi mavaudza
kuti vatsiure muzukuru wavo nekuti
Nament haanga fambiri mumhepo kah"
vakadaro vakanzi na Bamunini "zvinhu
zvinganotaurika here izvozvo nhaimi
baba" vakatanga kupikisana ini
ndakangonyarara ikazopera ichinzi inini
wacho hwaiva hwumwana asi
ndaitozvidawo dai ndaisazvida
ndaimuudza zvekuti asanditeverere
kana kuti ndaifanirwa kumutiza.
Zvemusi iwoyo zvakazodarika vanhu
vave kukurukura zvimwe uye nyaya
dzavo dzainge dzawandira
kunezvemarooro atete Concy ,muzuva
rakatevera ndipo pakasvikawo
Bamunini baba Gilbert nevamwe
veukama vaibva kunzvimbo dzirikure.
Musi wemarooro avo wakasvika ivo na
Tete vavo vainge vakaita stayera
yekumonera mazambiya akafanana
ende vanhu vaiva busy musi iwoyo
varoora vaivawo kumabhondo
,pakazosvika nguva yekuti vakwasha
vainge vapedza kudya zvikanzi inini na
Tariro na Dorothy sezvimainini
tinosimudza mandiro asi ini nekuzeza
plus kusafarira majokes andayiitirwa na
bamukuru vangu ndakaramba kuyenda
ndikatanga kutonzi ndaiva ne jealous
na Tete uye ndaida kunyangira
bamukuru. Nyaya iyoyo yakaita mazuva
after marooro acho ichingotaurika
yaimbotanga ichindibhowa kusvika
ndave kuzvi ignore .Ivo Tete Concy
vakazoperekedzwa kuyenda kumba
kwavo vachangoenda vamwe veukama
vakadzokerawo kwavo kusanganisira
baba vangu nemhuri yavo. Rimwe zuva
takayenda kumunda mhuri yese asi
vana vese takazonzi titungamire kumba
tinofana kuita basa vakuru
vaizosvikawo tapedza kubika apa ini
kuvasikana ndini ndaiva mukuru asi
takati tiri munzira kuyenda kumba
takawona mombe dzekwa Chirasha
dzichifura hanzvadzi yangu Gilbert
achibva atanga kutaura zva Purpose
uye zvinekundinanga kuti ndaiva
musikana wa Purpose zvakaita kuti
nditsamwe tikatanga kunetsana
ndikamutuka achibva andirova
ndikamudzosera asi iye semukomana
uye semunhu ayigonawo zvemaoko
akandikurira akasvika paayindirova
ndisingamudzoreri akazondisiya asi
ndakaenda kumba ndichichema.

Vanhu vakazosvika tapedza basa rese


uye ndave kutopedzisa kumona bhodho
resadza asi zvayioneka kuti ndaisava
nemufaro uye kuti ndainge
ndambochema mbuya vakabvunza
ndikavaudza nyaya yese vachibva
vatanga kupopota vachipopotera iye
Gilbert pakuti nerimwe divi ivo mbuya
vainyanya kufarira mainini Mai Dorothy
namai Lavender then Mai Gilbert na
mom vangu vaisanyanya kufarirwa
kubva kare vachinzi vanonyima uye
vanoomera zvinhu zvinenge zvabviwa
nazvo nevana vavo kuma town
kwavaishandira. Vaneta kupopota
vakazongozvi nyararirawo ,sezvo ndini
ndainge ndava musikana mukuru
pamba ndaitobatawo mabasa
ndichibatsirana namainini mai Dorothy
saka musi iwoyo ndakazoti zuva
radzikamira kunze kwave kutonhorera
ndakasenga ndiro ndikanodzisukira
kurwizi asi nguva dzandakadzokera
kumba ndakasvikira Tariro achitobuda
kubva pamba achiyenda kumba kwavo.
Ndikanzi nambuya "kwanzi urikudiwa
mababa mudiki vako baba Gilbert uko
itotevera Tariro hameno kuti
vakudanirei uwuye uchindiudza"
vakadaro zvikanzi na sekuru "usanzwa
hako iwe hapana chakaipa kudanwa
navo nekuti ndibaba vako usatevedzere
mbuya vako ava zvamunenge mataura
ngazviperere ikoko Ivo kana vachida
kuziva zvawadanirwa ngavateverewo"
ndakangoseka ndokunanga kwana
Gilbert ndikasvikira vanhu vepo
vakagara mu three rooms dzavo asi
vaiva mu dining "odhi" ndizvo
zvandakaita kurikuti gogogoi "pinda
hako Orna" vakadaro mainini ndichibva
ndapinda vakanditi "gara hako apa...iwe
Tariro swedera uko sisi vagarewo"
akaswedera kwaayiudzwa ndichibva
ndagarawo pa sofa asi mumba maiva
nezvishamhu zvakadambuka
zvekutyokera pasi ndakatarisa around
ndikaona kuti ndi Gilbert ayinge abva
kurohwa. "maswera sei bamunini,
maswera sei mainini" ndakavakwazisa
vese vakandidairawo zvakanaka
zvikanzi na bamunini "iwewe na Gilbert
marwirei pamanga muchibva kumunda
nhai Orna" ini kunyepa ndaisagona ende
ndaitaura nyaya nemo nemo ndapedza
kutsanangura vakanditi "unodanana
naye here Purpose because izvezvi
ndoda kusimuka nemi mese muri vaviri
tiyende kwana Purpose ende
ndikanonzwa kuti ichokwadi
ndichadzoka ndichikurova sezvandaita
mumwe wako uyu nekuti hamusati
makura imimi zvekuti munogara
muchikonzeresa mutauro mumhuri
ndizvo kah?" Vakadaro ndikavati
"ndirikutaura chokwadi ini bamunini
handiite zvevakomana iyeyu Gidza
neshamwari dzake..." Ndakachitanga
kuvaudza kwanga kwakatangira nyaya
nezvese zvakaitika zvikanzi namainini
"inini ndaimuona mutauriro waayiita
muno mumba Gilbert pamwe pacho
ndichimutsiura anobva ayita sekunge
naiyewo ihama yekwa Chirasha
handisati ndaona dununu rakadai ini
shuwa unopikira kuti hanzvadzi yako
yeropa rimwe chete newe irohwe
nevatorwa iwe uchikuchidzira izvezvi
kunzi book iro chero re grade seven
zvaro haugone kuverenga munhu ari
form four basa kusimbirira nyaya
dzisinei newe chete" vakadaro mainini
vave kumupopotera Gilbert
vakatsinhirwa na bamunini. Avo
vakabva vanditi "Ornament newe Gilbert
hongu muri vana asi hamuchazi vana
zvekuti mungatadza kuziva kana
kunzwisisa upenyu imi muchitoona
makadai kurwa nekutukana
kwamurikuita muri vadiki ikoku
murikutodyara ruvengo rweupenyu
hwese rwunogona kutozo affecter
kunyangwe nevana kana mhuri
dzamuchazoita kana makura, asi nhasi
ndarova Gilbert nekuda kwekuti ndiye
mukuru uye ndiye honzeri yekurwa
nekutukana kwamunenge muchiita
mese muri vana hapana anekodzero
yekurova umwe ,muka kanganisirana
munoudza vakuru ndivo vane kodzero
yekurova umwe mwana. Muchiona
makadai muri vana vangu mese
urikuzvinzwa iwe Gilbert?"
Vakamubvunza kudaro akatenda
nemusoro kuti hongu Ivo bamunini
vakayenderera mberi vachiti "uchiwona
Ornament paari ipapa haana
kumbosiyana na Tariro na Matty ava
vese ihanzvadzi dzako naiyewo
achikuona hauna kumbosiyana na
Moment muri vanhu vamwe chete
ukatonzwa kana kuona Orna achida
kurohwa nevamwe kunze unofanirwa
kutobatsirana na sekuru vake Spencer
kumumiririra ,hant unogona kuti Orna
Mai vake havapo uye baba vake
haagare navo?. Nesuwo tinogona
kuzowirwawo nedambudziko rakadaro
mangwana ungazofarawo here kuti
tisipo uzogara uchirohwa kana
kurohweswa neumwe mwana?"
Vakamubvunza kudaro Gilbert
akadzungudza musoro zvekuti kwete
akanzi "uchinje maitiro nehwunhu
hwako Gilbert nekuti handifare uchibata
umwe wako sezvaurikuita izvi" mainini
vakabva vadaira vakati "ende mugoona
Orna wacho haadenhe henyu ndiye
anenge atomutanga ende Orna mwana
anoteerera akatumwa anomhanya
chero kuri kure sei haumunzwi achi
complainer sezvaanoita iyeyu Gilbert
,even basa haana basa raanozeza paari
ipapa Ornament asi unoona mukomana
mukuru achiramba kuita basa ava
kutozviona sababa pano but
ukamuudzirwa kurwisanisa nekurovesa
hanzvadzi yake chaiyo ishasha paari
ipapa nekuziva ziva zvinyaya zvisinei
naye zvekunze uko". Vakayenderera
mberi vachitiraira, kutitsiura pamwe
chete nekutikurudzira kubatana sa sisi
na bhudhi ndisati ndadzokera kumba
ndakanzi namainini "imbomira
udirirwewo drink nevamwe vako Orna"
akasimuka Tariro akandidirira sezvo
ndiye anga akati kurei vakadirawo ravo
tikanwa tese nema biscuits moyo
wangu wakafara because ma biscuits
ndaiyafarira asi ndaizongoyashaiwa
nenguva chete. Ndakazotenda
ndikadzokera kumba kwandakanosvika
ndichibvunzwa zvandainge
ndadaidzirwa asi handina kumbotaura
zvizhinji ndakangovati taitsiurwa
nenyaya yekurwa kwedu ini na Gilbert.
Same week iroro Bamunini baba Gilbert
vakazodzokera iyewo Gilbert ini naye
hapana patakambosangana zvekuti
taigona kutaudzana. Bamunini baba
Dorothy ndivo vaisipfudza nekutarisa
mombe dzepamba asi vakazowana
basa pane umwe musha muraini medu
imomo pavakanzi vaizobatsirana
neumwe wavakapihwa kunzi vachere
foundation yemba sezvo ndiro raiva
basa ravo rekuvaka kunyangwe zvazvo
mabasa ayizovanetsa kuwana. Kuyenda
kwavo kubasa kwakaita kuti inini na
Tariro na Dorothy tinzi tinoona nezve
mombe Gilbert kumba kwavo mainini
vakamurambira vachiti "Gilbert
haagamboite zvese izvozvo akanzi na
baba vake apedzere nguva yake pama
books sezvo achinyora form four yake
gore rino" iniwo zvekumonbe
ndaisazviziva uye zvaisandiitira
ndakatomboramba kuyenda asi vanhu
vese vakandikutsanirana vachinditi "chii
chinoshamisira pauri chekuti unganzi
hauyende ku mombe vamwe vachitiwo
inga Mai Soshari vanoyenda wani gore
rese rinopera vachirisa mombe dzavo"
Mai Soshari vacho vaivawo mumwe
wemudzimai wemu village medu uye
vaizvirisira vega mombe dzavo.
Nekukurirwa pamashoko Ikoko
ndakatanga kuyenda ku mombe
nevamwe asi rimwe zuva tiriko
kumombe ndaingonzwa ziso rangu
richipfura pamusoro ndikaudza vamwe
vangu sezvo taingosangana nezvimwe
zvikwata kumombe ikoko zvikanzi
nevamwe vangu uchafara
ndakatomirira kufara kwairehwa ,
kwave kumasikati zuva rave kunyanya
kupisisa takazoyenda murwizi
tichinodhidha asi sezvo tayidhidha
takasangana vakomana nevasikana isu
vasikana tayidhidha takapfeka hembe
taiti tikambotamba toteerera mabhero
emombe toziva kuti dzaiva mudhuze
takazoti taneta nekudhidha
ndokubvako kudziva tichisiya
vakomana vega. Tave kumhiri kwerwizi
umwe musikana ayinzi Shelter ayiva
form 1 akabva azviitira weti akati
"ndanyorova kare nekudhidha saka
hapana musiyano better ndiwedzere
kunyorova kwacho" system iyoyo vanhu
vaiziva ichiitwa kana munhu anaiwa
chete so zvakakonzeresa kuti tiseke asi
tichiseka kudaro ndakaona Purpose iye
akandionawo achibva ahwanda paseri
pedombo hana yangu yakarova uye
nekusada kuti vana Dorothy vamuone
ndakabva ndati "guys ndirikuda
kumbono budisa mwana asina
mabhonzo" ndairevera kuyenda
kunozvibatsira zvikanzi na Tariro "hoo
ndokusaka wati tisiye kudhidha wanga
uchida tikuperekedze kah manje
tavakudzokera isu unowana tiriko" vese
vakadairirana vachibva vadzokera
kuchidziva apa rwizi urwu ndirwo same
rwaidarika nekumaraini richinopinda
nemusango mataiva imomo .

Pandakaona vavekudzokera ini


ndakabva ndayenda kwandainge
ndaona Purpose ndikasvika ndichimuti
"urikuitei nhaiwe vana vekumba kwedu
vakakuona vanotofunga kuti zvimwe
wavinga inini kah kusango kuno"
ndakamudaro zvikanzi "sorry hako Orna
ndatopindawo muno musango kuti
nditeme huni dzekumba saka ndanzwa
kuchiita noise kudziva uko ndanga
ndichida kutouya ikoko ndipo
pandakuonai but ndazokurumidza
kufunga kuti ndikaonekwa ndiri
mudhuze newe vanhu
vanozopindurudza nyaya otherwise
urisei hako" akadaro ini ndainge
ndagarawo paseri pedombo raayiva
kurikusada kuonekwa ndikamuti
"ndiribho saka ita zvehuni dzako
dzitsvagire kure nesu sha because
mitauro yacho haizoperi" zvikanzi
"haiperi kunani" ndikati "kwandiri,vanhu
vekumba plus musikana wako Tildah
tichavhura kah kuchikoro maybe
vachaimutsidzira nyaya yacho" zvikanzi
"haah usatye hako inini na Tildah
zvakatopera" ndikati "zvakapera?"
Zvikanzi "ehe zvakatoramba inini
madhiri ema babe haasi angu" akadaro
ndikamuti "ah why haudi ma babe saka
unoda chii machembere?" Ndega
ndakaona kuti ndainge ndobuda muline
ndavakurerekera kunyaya yatakanzwa
nabamunini baba Dorothy tikanzi tisaiti
bufu. Pandakamubvunza haana
kupindura asi kuti akabva asimuka
zvikanzi "huya tigare pano apa two
minutes kuitira vapfanha vako
vasazotione" ndikamuti "iyiii kugarirei
newe ipapo ndava kutodzokera ini"
zvikanzi naiye "Mira pane zvandoda
kukubvunza". Ndakatoshaiwa kuti zvii
plus ayiratidza kuva serious zvakaita
kuti ndimutevere akagara pasi pemuti
achitevera mumvuri waivapo zvese
nedombo raiva munyasi uye rakaita
seruware iro raakasvika achirarira
akatarisa mudenga "Koo uchakamirirei
huya kah ugare pasi nhai Orna
ndinotyisa here inini" akandibvunza
kudaro ndikamuti "hant urikuona kuti
ndakanyorova here saka ndikagara
ndinozoswinywa magadziko" akabva
aseka zvikanzi "kumombe kunonakidza
hant?" Zvakaita kuti ndisekewe
ndichibva ndanomira kuzasi kwake
nechekumakumbo ndikamuti "wati
makarambanirei na Tildah usandiudze
kuti nekuda kwezvawakaita paye
zvekundibata ndizvo zvakakurambisa"
ndakamudaro zvikanzi "haah no
usafunge zvakawanda hako problem
ndeyekuti vasikana vanenge vachida
kutsvagirwa twuma nice nice manje
izvezvi njuga dzakarema vamwe
hatishande mabasa haasati ava kuda
kutamba zvino vana Tildah nema level
avanenge vachizviisa hatizozvigone"
ndakabva ndamuti "Saka pakaipa"
zvikanzi "yah koo handina kumbokuona
kah kubva paye ndaitoshaiwa kuti
ndokubvunza sei zvakazodii day riye
hauna kunorohwa here kumba"
akandibvunza kudaro ndikamuudzawo
mafambiro ayinge akazoita nyaya
dzacho. Iye akatozondiudza kuti anga
akazoyenda kunoona mukoma Moment
achitonditi "Kwanzi nemukomana
usazoite misikanzwa but handina
kumuudza kuti wava kumba kwenyu
because ndakatoona kuti anga
shungurudzika" tiri muhurukuro dzedu
kudaro ndakanzwa ndave kusheedzwa
nana Tariro ndikaziva kuti zvimwe
ndainge ndagarisa kuna Purpose asi
ndakabva ndawonekana nemunhu
wandaiva naye. Ndakamusiya akarara
paayiva ini ndokumhanyira kwaiva
nevamwe zvikanzi na Shelter "Kasi
wanga uchitomam* tambo here....
hoowoo wanga una Purpose nhai
hehedeee dad na mhama" Akadaro
zvakaita kuti vese vatarise kumashure
kwangu tikaona Purpose wacho
achitopinda nemuzvikwenzi
zvekuratidza kuti ayitozviti
ndirikuhwanda uye hapana anondiona
"apa hatisi kuziva kuti mombe dzirikupi
iwewe ndipo paurikuita basa
rekutevererana na Purpose kah?"
Akadaro Dorothy akanzi na Shelter "iyiii
iwe musanomutaurire kumba
ngatingotsvagei mombe dzedu
remangwana harizivikanwe nekuti
nemiwo murivasikana" vakaita
sevanzwisisa. Takatenderera kutsvaga
mombe apa taisanzwa kana mabhero
takatenderera vamwe vachindipa
mhosva kuti ndini ndainge ndavafurira
kunodhidha kudziva ,takazoti pave paye
ndokuwana dzimwe asi tine five
dzatakashaiwa kusanganisira one yedu
nedzevamwe kwave kutinha dzatainge
tawana idzodzo tichiyenda nadzo
kumba apa kunze kwainge kwavira.
Tasvika kumba takavaudza zvemombe
dzainge dzarasika bamunini vainge
vadzoka kubva kubasa ravo ndivo
vakazobatana nevamwe vechikuru
varidziwo vemombe dzatainge
tashaiwa kwave kudzokera kusango
apa takasara kumba tichitukwa na
mbuya ,bamunini vakazodzoka usiku
chaihwo vainge vanodziwana uye vaiti
vadziwanira kure apa vakawana munhu
wese akagara mu kitchen nekuti
zvainetsa kuti vanhu vanorara vasina
kuziva kuti zvakamira sei asi ivo
bamunini pavakasvika vakasvika vachiti
"vasikana ava ndoda kuvarova vese
zvavo vari vatatu kwanzi varasa mombe
varikudziva vachidhidha ndanzwa
nevamwe vavo" ipapo Dorothy na Tariro
vakabva vatsigirana vachiti ndini
ndainge ndavati tiyende kunodhidha
uye kuti ndainge ndazonyepa kuti
ndoda kuyenda kusango ini
ndichinoona Purpose. Ipapo
pemuzukuru wekwa Chirasha
pakasimudza vanhu vese hasha
bamunini vakangodhonza chitirobhu
chemombe chaigara kuseri kwedoor
mu kitchen imomo chichiitirwa
kudzingiswa imbwa dzepamba
dzaifarira kutambira pa door kana
vanhu vachidya, ndakashaiwa kuti
ndotiza sei uye ndotizira kupi pavakandi
simukura vakandibatira pedyo nedoor
ndichizama kuda kubuda . Vakandibata
maoko ese vakayita zvekuya batanidza
ini ndaiva munhu wekuti ndichirohwa
ndaichema nezwi ririmuzasi kuri
kusada kunzwikwa mumaraini uye
ndichitya kuti ndaizosekwa nevamwe
asi ipapo chitirobhu chakandipinda
ndikatanga kuridza mhere "nyarara
hako kuti ziii handidi kunzwa izwi rako
wanetsa kwenguva refu pano pamba
tichikuregerera iwewe izvezvi
unondifambisa usiku muchirasa
mombe ndiwe mukuru ichifurira vana
,ndoda kukurova zvekuti haudi kunzwa
nezva Purpose futi" vaidaro bamunini
vachindirova apa ndainge ndoridza
mhere vanhu vese hapana
akambosimuka kuti abate vaingo
supporter kuti rohwa haunzwi
"zvakwana azvinzwa mwana
hamuwonewo here kuti machemero
ayarikuita ndeekurwadziwa uye
kutsvaga rubatsiro chimusiyai
azvinzwa" vakadaro sekuru zvikanzi
naivo bamunini "zvinonakidza here
zvekuti ndifambe mudondo usiku inini
baba nekuda kwake uyu" pavaitaura
nasekuru kudaro ndakashandisa
mukana iwoyo kupukunyuka ndichibva
ndabuda padoor ndichimhanya apa
ndairidza mhere. Ndakanobuda kugate
pasina kucheuka chitirobhu chainge
chandipinda ichocho zvekuti ndainge
ndoita senge munhu adambuka njere
ndakabuda gate apa muroad maisava
kana nemunhu ndaisimbotya kufamba
manheru kusina mwedzi asi ipapo
ndakamhanya muchirima cheusiku
zvekuti ndaingoziva direction
yekwandayienda asi ndisingaone nzira
ndakamhanya ndichiridza mhere
ndikanopinda murwizi
ndichinoyambukira kumhiri kwana
sekuru baba Spencer ndakasvika
kumba kwavo ndichinovhura gate
ndainzwa sekunge ndaiteverwa asi
pandakacheuka hapana wandakaona
kana kunzwa mafoot step asi
zvakadaro ndichipinda pa gate ndaka
continue nekumhanya uye kuridza
mhere handina kumira ndakanosvika
kuruvanze ndave kunanga kuimba
kwairara vana sekuru ivo vachivhurawo
door kubuda panze vachindiona vakati
"Ornament??" Vakadaro zvemubvunzo
yakawanda ndichibva ndapinda
pavheranda pavainge vakamira
ndikazvindidzira mumakumbo avo
ndikati "sekuru kani sekuru sekuru"
ndakabva ndangosimuka nekuti
ndainzwa sekunge chero mabvi
andainge ndakapfugama nawo
ayitorwadzawo zvekare "waitwa seiko
nhai Ornament" vakadaro ndikanzwa
door rekumba kwairara vana Spencer
richivhurwa kuratidza kuti vaitobudawo
ndainzwa kurwadziwa zvekuti
ndaishaiwa kuti ndomira sei chaizvo
"sekuru ndarohwa sekuru kani sekuru
sekuru sekuru ndirikurwadziwa sekuru
kaaaaani sekuru sekuru" ndaichema
ndichidaro ndikaona gogo Mai Spencer
vachibudawo mumba "chii warohwa
nani wanga waitaseiko usiku hwuno
nhaiwe Orna" vakadaro gogo ndikati
"ndanga ndarasa mombe ndarohwa
nabamunini mhaa mhaa mhaa
mhamaaa mhamaaa kaaaaani mai
vangu kani mhamaaaa mhamaaaa"
Ndakadaro ndichi jumper jumper
ndairwadziwa zvekutadza kumira ndiri
straight ndikaona gogo Mai Spencer
vachiita sevaipukuta musodzi
pavheranda paiva ne light "marabishiiii
mhani" vakadaro sekuru vachidzokera
mumba mavo mavakanobuda vapfeka
jacket zvikanzi na Spencer
"ndirikuyendawo nemi baba" akataura
izvozvo achiita seayida kuchemawo
"sorry Orna" ndi simba akadaro.

*Stay tuned......*

https://chat.whatsapp.com/DVqUTSiw
DXWB04QtxHZsdX
https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl

ȱPress apa ndokumbirawo uyise like


Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.

*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY
AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*
*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 14*

Sekuru vakadzokera mumba vakati


"rima racho rakanyanyisa chiripayi chi
light changu chiye nhai Mai Spencer"
vaibvunza kudaro kuna gogo avo
vakabva vati "madii machirara
mozomuka muchiyendako kuseni
kwakachena" vakanzi "kuraraaaa?
,murikurevesa nezvamurikutaura here
imi Mai Spencer tingarara sei nemwana
akadai arikurwadziwa mwana uyu
kubva rinhi Ornament achichema
sezvaarikuita munomuziva ari gwara
imi kangani kamaimutuma kubuda
panze usiku vachiperekedzana
nevamwe vake ava kunotora huni
pabakwa padhuze dhuze apa kuzoti
kubva kumhiri kwavo uko nerima irori"
vakadaro vakanzi na Spencer "shuwa
baba ende Orna akarohwa haacheme
anotsindira shamhu" . Sekuru havana
kumudaira vave busy kutsvaga chi light
chavo "warohwa nei nhaiwe Orna chaita
urwadziwe kudaro" vakandibvunza
kudaro gogo ndika kakamira zvemunhu
ayichema ndikati "nda nda nda-
ndarohwa ne chitirobhu" vese
vakaratidza kukahadzika sekuru
vakabuda mumba vakasvika vachiti
"chitirobhu chemombe chaicho here
Ornament?" Vakadaro neface ine
kukatyamara ndikadaira ndichitenda
nemusoro ipapo ndainge ndadzora
volume yangu pakuchema "nhaimi
vanhu zvavanopara mhosva sekutamba
sekuseka vanhu takatarisa kudai"
vakadaro gogo zvikanzi na sekuru
"vanoita zvekutamba chokwadi vanhu
vekwa Zhou rega ndiyendeko , iwewe
Spencer sara hadzisi nyaya dzevana
vadiki idzi" vakadaro sekuru zvikanzi na
Corsy "dai mangosiya Orna henyu
moyenda mega baba" kwaiva kutaura
kwemunhu ayindinzwira urombo.
"Haaah vanhu ava vanhu rudziiko nhai
Mwari kurasa mombe chete chete
ndiko kwawarohwerwa kuma 10 kuno?"
vakadaro gogo Mai Spencer ndichibva
ndataura muchidimbu ndichivati
"Kwanzi ndafurira vamwe kuti
tinodhidha plus taona Purpose kusango
ndikambomira naye achindiudza
zvekuti akabva kunoona mukoma
Moment saka kumba vanonditi
ndinodanana naye dziri nyaya
dzekunyepa dzandaifungirwa nana
Prog" ndakataura izvozvo ndichipfikura
zvikanzi na Spencer "Gilbert ndiye
ayikutidzira kuti urohwe nana Prog
paye" akadaro zvikanzi na sekuru
"zvinyaya izvozvo handina basa nazvo
plus futi handitodi kuzvinzwa ndoda
kunonzwa yekurasa nekumurisisa
mombe iyi Ornament zera rake
harichasi rekurisiswa mombe iri, famba
tiyende tinonzwa tione" vaidaro
kwandiri ndichibva ndafamba ndave
kutovatevera zvikanzi na gogo
"chipfeka zvimapushi zvangu izvi
vasikanaaa izvezvi wangobva
uchimhanya uchitsika pasi netsoka koo
dai watsika nyoka usiku hwuno nhai
Orna?" ndakadzokera ndichinopfeka
mapush andaipihwa zvikanzi na Corsy "
haaimi musatambe nekurohwa kaimi
kana wavakurova road
hautombozvifunge zvese izvozvo
zvebhutsu".

Ndapfeka ndokufamba ndichiyenda


kwaiva nesekuru gogo vakasheedzera
kuti "mudzoke naye nenhumbi dzake
dzese kuno baba Spencer" asi ivo
sekuru havana kudaira vainge
votofambisa Ivo semunhu murefu
vaikandira nhanho pakuru zvino ini
nekupfupika kwangu ndaitevera
mumashure mavo ndichiita zvekuto
jogger chaizvo. Pamwe pacho
ndaimbofamba ndichizama kufambisa
kuti tiyenderane but ndaikundikana Ivo
sekuru pachezvavo vaisava easy
zvekuti ndaigona kuvati dzorai speed
tiyenderane , tichifamba kudaro ndipo
pandainge ndoona kuti muroad
maityisa usiku zvinova zvayitondituma
kuti ndimhanye asi pandakadarika
ndichiyenda ndanga ndisina kuzviona
nekuti ndaitiza chitirobhu. Takazosvika
kumba kwedu Kwa Zhou ndaparara
nekuneta "gogogoi pano pamusha"
vakadaro sekuru ende vakazodairwa
kuti "svikai" Ivo vainge vavekutosvika
kare pa kitchen apo pavakanzi vapinde
ini ndichiteverawo mumashure mavo
ndikanogarawo pa bench pavainge
vagarawo vanhu vese vaivamo
semusiiro wandainge ndangovaita
,vakambokwazisana vachiswedzana
zvikazonzi naivo sekuru baba Spencer
"maona ndayambukirawo mhiri yekuno
usiku hwuno nekuda kwemwana
wandaona achisvika pamba achiratidza
kuti abva kwese kuno achiridza mhere
saka ndati ndiyambukire ndinzwe kuti
chii chanyanya kuitika chaita mwana
arohwe murohwero waita atize pano
pamba" . Vakabva vadairwa nambuya
vakanzi "heyaah ayewa hapana
chakaipa mwanangu magona chaizvo
ichokwadi zveshuwa mwana arohwa na
baba mudiki vake ava iri nzira
yekumuranga nechikonzero chekuti
misikanzwa yacho paari yanyanyisa
yaachombonzwi zvaunomuona mwana
iyeyu paari ipapa" vakadaro vakanzi
naivo sekuru "ndinokunzwisisai amai
ndokusaka ndauya nekuti ndinoda kuti
ndiinzwisise type yemusikanzwa
yamurikutaura nezvayo chii
avakurwisana nevamwe zvakanyanyisa
here zvichida tingaita muonera pamwe"
vakabvunza kudaro vakadairwa
nabamunini avo vainge vakagara
pachituri vakaita zvekutsamhira
madziro vakati "ndini ndarova mwana
uyu chaita ndimurove ndechekuti vanga
vayenda kunorisa mombe nevanin'ina
vake ava ende kana vakadai iye
semunhu mukuru pavadiki kudai ndiye
anofanirwa kuratidza vana nzira
kwadzo but akarasika vadiki ava
vanotevedzera iye izvezvi varasa
mombe ndirikutosvika usiku hwuno
kubva kunodzitsvaga ende kurasika
kwacho kwanzi ndiye ati kuvana ava
handei tinodhidha pakudhidha paye
kwanzi ambonyepera vamwe kuti
ndoda kuyenda kudondo izvo anga
achinohwandirana nemukomana
wekwa Chirasha" vakadaro sekuru asi
vasati vataura anything bamunini
vakagamwa na mbuya avo vakabva vati
"ende nyaya yemwana wekwa Chirasha
yanetsa pano pamba baba vake chaivo
mbune vakamuona munzira imomu
musi wavauya kumarooro ehanzvadzi
yavo,vakamuona kwanzi achitamba
nechikomana chatirikureva ichochi
unobva watadza kuziva kuti vatokura
zvekuda kutanga misha here evooo"
vakadaro vachirovanisa maoko avo
mbuya. Asi sekuru baba Spencer
havana kuvadaira vakabva vatarisa
Tariro na Dorothy vakati "nhai vasikana
chii chaitika kusango kuti mombe
dzirasike" zvakabva zvabatsirana
kutaura mufambiro wainge waita
zvinhu zvacho vakanzi "koimimi
zvamaona nekuziva kuti mombe
dzinorasika sisi venyu ava pavakutii
handei tinodhidha maregerei
kumurambira achiyenda ega imi
muchisara makatarisa mombe ,zvekare
paanyepa kuti arikuyenda kudondo imi
maregerei kumuti isu tava kunotarisa
mombe chaita mudzokere kunodhidha
chii?" Vakatemwa nemubvunzo
wakavatadzisa kana kushama miromo
vachipa mhinduro ivo sekuru vashaiwa
mhinduro kubva kuna Tariro na Dorothy
vakabva vatarisa kuna bamunini vakati
"Saka zvavarasa mombe vese vari
vatatu kudai ava mavatovarova kare
here" vakabvunza kudaro vakanzi naivo
bamunini "ndichivaroverei ivo vanga
vafurirwa neiyeyu mukuru uyu imi
hamuoni here kuti arikuisa poison
muvana" vakapindura zvine rough
mukati vakanzi "ayewa kah havana
kunodhidha nekuda kwekufurirwa nhai
Ornament pawavati handei kunodhidha
varamba ukavamanikidza here vanin'ina
vako ava?" ndakabva ndadzungudza
musoro zvekuti kwete "Saka sei muchiti
vafurirwa vana vadiki zvekuti mungati
vafurirwa here ava Nzou nyatsai
kundiudza zvekuti ndinzwisise kuti
mwana mamurovera kurasa mombe
here kana kuti mamurovera kumira
kwaanga akaita na Purpose kusango
uko ndiudzei main reason yamarovera
mwana chaiyo".Vakabvunza kudaro
vavekukwidza voice zvekwavo chaizvo
zvavayiita kana vatsamwa zvikanzi
naivo bamunini "ayewa kah Tembo
mubvunzo rudzii wamuri kundibvunza
iwoyo Ornament mwana wamukoma
vangu zvichireva kuti neniwo mwana
wangu uyu ndine kodzero yekumurova
kana ndichinge ndaona achirasika"
sekuru vakabva vatarisa kuna sekuru
Zhou vakati "baba hongu ini handina
vabereki nekuti vakatisiya nekuda
kwenguva yaMwari asi kana
ndakakutarisai kudai nemiwo muri baba
vangu ndizvo kah?" Vakabvunza kudaro
vakatarisa kumeso Kwa sekuru Zhou
chaiko avo vakabva vadaira vachiti
"hongu mwanangu ndizvozvo chaizvo" .
Ivo sekuru baba Spencer kwave
kuyenderera mberi vachiti "chiitiko
chaitika pana baba nemwana ava
munochionawo sei ndoda
mungondiudzawo kuti maona zviri
zvinhu zvakanaka here kana kuti
zvakaipa" sekuru Zhou vakatanga
vagadzirisa pahuro zvekugadzirisa izwi
kwave kuzoti "zvaitika apa handioni iri
nzira yakanaka yekuranga mwana
hongu mwana kutadza atadza asi
haayifanirwa kurangwa sezv..." vasati
vapedza kutaura vakabva
vadamburirwa na mbuya vakanzi
"munoreveiko imi VaZhou kana musina
zvekutaura murume mukuru nyararai
mazvinzwa zvingada dare kana
kugarirwa pasi here zvekuti mwana
arohwa vedu vana vaiti vakarasa
mombe taingovarova wani chero isu
patiri pano takasanganawo nazvo
pakukura kwedu wani chii
chazoshamisira pana iye Ornament
asiyanei nevamwe vana kana mwana
atadza ngaatohwe ndizvo mangwana
azive chakanaka nechakaipa mwana
rudzii anoisa sekunge mombe
yemashanga mazuva ose haaregedze
kuparamura mhosva atova horomori
pagere ipapa".

Vakadaro vachiratidza kushaiwa hanya


uye vachitaura zvinekuzama
kushoropodza sekuru baba Spencer
avo vakabva vati "Amai kana muchiona
kana kuti muchitonga mutongero iwoyo
munenge muchiresva" mbuya vakabva
vaganduka vakati "inini manje kuresva?,
Ornament makauya mukamusiya pano
imi mbune pachezvenyu muchiti
mamukonewa nekuda kwemisikanzwa
mukataura imi muchiti makatombomu
rovawo saka nhasi zvaipa nekuti
arohwa nevepano?" Vakadaro mbuya
zvikanzi nasekuru baba Spencer "Amai
handina kuuya pano pamusha penyu
kuti ndirwe nemi handina wandauya
kunotukana naye mazuva andamusiya
paye shoko rakasvika nekwedu
kuchinzi akarohwa na baba vake
hamuna kumbondiona ndichiuya pano
naiyewo Ornament uyu handina
kumuona kana kumunzwa achiridza
mhere uye achimhanya kunobudira
mhiri yekwedu uko nekuti akanga
aroverwa nechinangwa chekurangwa
kuya kwaakaitwa nababa vake kunonzi
kuranga mwana. Haikona zvanhasi izvi
mungarega mwana achirohwa
nechitirobhu Inova shamhu yatinoziva
kuti inorohweswa momba ,imombe
here uyu kana makamutarisa tikayenda
kumapurisa munonozvimiririra here imi
kuti kwanzi mwana arohwa
nechitirobhu iri nzira yekurangwa ,
kurangwa for what exactly kurasa
mombe izera rekurisiswa mombe here
iri ivava vadiki zvavanoziva kuuya
vachireva zvakanaka nezvakaipa
munodii kutungamidza ivo kumombe.
Ndakagara naye kwenguva refu mwana
uyu zvamunoziva imi asi kubva
arimudiki pandakamutora haana kana
zuva rimwe chete raakapinda musango
achinzi arikunorisa mombe because
hazviiti zvimwe zvinoda kushandisa
common sense mhani kukura kwake
murikukuona pakurasa mombe
nepakunzi afurira vana koo njodzi
yamurikumuisa nekuda kwe future yake
murikumboiwonawo kana kuifunga
nezvayo here ane 15 years mwana
wamurikuona uyu ende pazera rake
pane njodzi hurusa yekuti akasangana
nemukomana kana munhurume
anokwanisa kubata pamuviri. Asi imi
ndipo pamunonomu pfudzisa mombe
koo akabatwa nezvikomana kana
varume vakuru kumafuro ikoko
mangwana munozoona njodzi
yamunenge makonzeresa pamwana
here kana kuti chamunozogona
kumushoropodza and obvious at the
end hamuzviongorore chamuchaita
kumhanyira kunomuisa kumuridzi
wenhumbu izvezvi Purpose
wamurikumurovera ane mukana
sezvaitika ipapa wekumutevera
kusango vakatoonana zvakanyanyisa
handiti izvezvi mazviziva nekuda
kwemombe dzarasika dai dzisina
kurasika maizozviziva here kuti anga
ana Purpose chero vana venyu ava
vaigona kusauya vachizvitaura pamwe
tirikutotaura izvozvo hedu asi ivo
vachigara vachionana kusango ikoko
zvinozivikanwa nani asi chero
zvichidaro vanhu vatinoshora nekupa
mhosva ndimi". Vakadaro vave
kufemera pamusoro nehasha sekuru
baba Spencer apa vanhu vese mumba
vainge vati ziii vakadororotsa misoro
ndakaona sekuti zita rekuti mapurisa
ndiro rainge ravadzikamisa "Ornament"
vakandidana vakanditarisa kumeso
ndikati "sekuru" zvikanzi "hant
unozviziva kah kuti ndoda munhu
anotaura chokwadi uye ndakavenga
nhema?" Ndakatenda nemusoro kuti
hongu zvikanzi "Purpose
akambokuudza kuti anokuda here kana
kutaura newe nyaya dzakarerekera
nekuda kuti akuite musikana wake kana
kuti mufambidzane?" ndakazviramba
ndichidzungudza musoro zvikanzi naivo
sekuru "zvekuti anodanana na Purpose
makazvinzwa kupi uye makaonei kuti
muti anodanana na Purpose?"
Vakabvunza kudaro vachitarisa vanhu
vese zvikanzi na Bamunini "inyaya
dzinenge dzichingotaurika mu..." Vasati
vapedza sentence vakabva vanzi
"marabishiiii mhani marabishiiii
mangwana ndiri kuuya pano
nemapurisa monotaura zvakanaka
reason yamarovera mwana marabishiiii
vanhu rudzii vanoita sekunge zvimwe
zvinhu shuwa mungazvipa nguva
yekutora pfungwa isina basa kuipa
chinzvimbo mumusoro umu kuti kwanzi
inyaya dzinongotaurika dzekuti
anodanana na Purpose imi musina
chamakaona chinobatika?. Chero
chikanzi ichokwadi kuna Purpose
wacho makamboendako kunotaura
naye here kana kumbonoudzawo
vaanogara navo kuti mwana wenyu
arikufamba zvisirizvo nemwana
makambozviita?" . Vakabvunza kudaro
zvikanzi nabamunini "Tanga tisati
tayenda nekuda kwekuti tatisati
tavaona pamwe chete vachiita
mufambiro usiriwo asi kah ukaona
nyaya yataurika ruviri rutatu panenge
pane zviripo" vakadaro vakanzi "manga
musati maona varipamwe chete zvekuti
muyende kunotaura nevanhu vekwa
Chirasha asi simba rekurovera mwana
zvinhu zvamusati maona ndiro
ramawana.....munomboziva kuti chii
kah vanhu vekwa Zhou handina
chandinotya kwamuri mese makadai
chero nevasipo muchitiona takanyarara
kudai musafunge kuti tiri vanhu
vakapusa munondinzwa kah,hanzvadzi
yangu irimujeri nekuda kwemabasa
ehama yenyu imi Saka handina
chandinozeza kuti neniwo
ndikusungisei
munondinzwa?".Vakabvunza kudaro
vakanzi nambuya "yava nyaya yei
yamavakutaura nhai VaMuguri nekuda
mukataura muchidaro tave kutorasika"
Ivo sekuru vakabva vati "hapana
kurasika kwamunoita munorasika papi
apa munomboziva kuti chii kah vanhu
vemuno mumusha munorwadzisa
sechironda chepasi perurimi kudai asi
regai kubata mwana uyu sekunonzi
hanzvadzi yangu yakabva naye kumwe
kunhu asi iye ari wemuno mumusha
nyaya ya Purpose yamurikumurovera iyi
ndakayiongorora kare ndikaipedza ,
ndakamusheedza pamba pangu ini
ndikamubvunza asi akazviramba
zvamurikutaura izvi akataura akati
sekuru mwana wandinofambidzana
naye zvechokwadi chaizvo ndewekwa
Mai Madzinga asi ndakamuudza kuti
mwana waurikutaura nezvake
mwanana urikumuuraira future yake
ndikamuudza nezvimwe
zvandakamuudza uye semwana
anoteerera akavimbisa akati sekuru
ndazvinzwa ndava kusiyana naye
mwana wekwa Mai Madzinga iyeye.
Ndakakwanisa kutaura naye nekuda
kwechikonzero chekuti mwana
akangokura tichiona uye ayiva
shamwari ya Moment achiona Orna uyu
anomuona sehanzvadzi yake
hatizozivewo hedu kana achizova
neimwe pfungwa asi ndikamuona
akamira na Orna handina zvakaipa
zvandingafungira nekuti kubva nekubva
Moment achiripo ayingouya pamba
asina waanonyangira izvezvi dai
muchinzwawo divi rake angadai
achitova free zvekusvika chero pano
achiona hanzvadzi yeshamwari yake iyi
kuda anga achitoshaiwa kuti otaurawo
naye sei zvimwe avakutongogara
achitya kuti vanhu vekwana Orna
vakandiona padhuze naye
vachamurova kana kuti ndini
ndichapedzisira ndarova zvinova zvinhu
zvinenge zvakaipa kana vanhu
tichirarama kudai ....pamaonana
kusango uko akuti chii nhai Orna?".
Vakandibvunza kudaro Ivo sekuru baba
Spencer ndikavati "angonditi
arikutsvagawo huni dzekumba kwavo
achibva anditi ndaishaiwa kuti
ndokuona sei ndaida kukuudza kuti
waimhoreswa na Moment akabva
kunomuona" Mumba makamboita ka
silent ndikaona sekuru Zhou
vachidzungudza moyo wavo
zvekurwadziwa uye kunzwa tsitsi Ivo
sekuru baba Spencer vakasimudzira
vachiti "baba" vakadaro vakatarisa
sekuru Zhou avo vakabva vasimudza
musoro zvikanzi nasekuru baba
Spencer "baba pamwe pacho
ndinogona kutungamidza hasha
ndigoita sendinoda kurwa nemhuri
yenyu asi sandizvo chinoitika
ndechekuti ndinenge ndarwadziwa
nekuti tese tiri vabereki uyu mwana
wehanzvadzi yangu ini ende hanzvadzi
yangu akasiya mwana uyu ari mudiki
ayiva grade 7 Ornament uyu ende
mukada kuzvitarisisa panguva iya
hongu ayiziva zvayiitika asi nedzimwe
dzenguva anga asingazive ndovimba
ikozvino nekuzosungwa kwakaita
mukoma wake ndipo paava kunyanya
kurwadziwa uye kunzwisisa zvinhu izvi
asi panguva yakasungwa Mai vake
ndoona sekuti haana kurwadziwa
zvakanyanya kana kuti pfungwa dzake
dzainge dzisati dzave kufunga
zvineudzamu sezvaava kuita ikozvi .
Mai vake hongu vakatadza panguva ino
tinoti varimujeri vachipikira mhosva
yavo asi yaiva nyaya yekuti vanhu
maifanirwa kuisa misoro pamwe
semhuri uye dai makazviita dai vasiko
kujeri asi hamuna kuda kutinzwisisa
mukabatsirana nehama dzemuroora
mutsva. Kudai makaisa musoro pamwe
kudaro maifanirwa kuongorora kuti
chikuriro chake Mai Moment kubva
achipinda muno mumusha haana
waakarwa kana kutukana naye asi paye
akarwadziwa uye zvinhu zvaayinge
asina kutarisira kuti murume wake
angamuunzira umwe mukadzi asi
nekutadza kuzvigamuchira akakurirwa
nehasha zvinova zvakaita kuti arove
mukadzinin'ina wake nedanda hamuna
kuda kubatsirana pakuona kutadzirwa
kwake chamakagona kuona
hwumhondi hongu barika
harirambidzwe even dai akapihwa
gupuro taimugamuchira ndinovimba iye
zvaigona kumunetsa kugamuchira asi
ayizopora nekufamba kwenguva zvese
izvi makazvitadza uye zvakatadzikwa
nekuti hamuna kuda kufambisa zvinhu
negwara rakanaka. Mukadzi aripo uyu
akazouyiwa naye muno mumusha
ndinovimba mese maitozviziva asi
hanzvadzi yangu nevana vake ndivo
vega vaiva murima dai
makamusumawo zvakanaka kuti Nzou
vavaneimwe mhuri handifunge kuti dai
tiri patiri nhasi asi kutadza kwamakaita
mhuri yese ipapo hamukuoni horaiti
zvadaro uyu mwana watinaye pano apa
musikana uye pazera rake anoda
guidance yakasimba kwete yeshamhu
asi kuti yeminamato pamwe chete
nekumuraira muchimuratidzawo gwara
reupenyu uye kumuonesa
kwaarikuyenda nekwaarikubva zvese
izvi zvaigona kuita nyore kudai mai
vake varipo ndinovimba ibasa rana mai
kuumbiridza vanasikana vavo. Kuuya
kwandakaita naye ndichimusiya pano
hazvirevi kuti ndaisamuda kana kuti
ndaimuvenga kwete muzukuru wangu
uyu ndichimuona haana kumbosiyana
namai vake chinangwa chaiva chekuti
muongororewo mwana ndichiti zvimwe
zvaayiita ndizvo zvaiyitwa nemadzibaba
kana madzitete ake zvichida pakukura
kwavo zvimwe , maizoziva kuti mweya
here kana kuti zvinhu zvinongodarika
nekuda kwezera asi nenguva diki
yandamusiya iyoyi patobuda nyaya
dzakawanda dzimwe hatitaure nekuda
kwekuti tinenge tichidzinzwa
nemakuhwa asi zivai kuti zvimwe
zvinhu mayererano nemabatiro
amungaita mwana uyu
murikukanganisa future yake
murikusvibisa nekureverera zvakaipa
pamusoro peupenyu hwake.
Munofunga kuti akakura ndiyani
mukomana wemuno muraini angazoda
kumuroora iye muchimuyendesa mbiri
yekuti ayida murume watete vake
vekubva kuwanikwa mazuva adarika
aya anozivei zvine chekuita nekutorera
tete murume paari ipapa munondiudza
here imi kuti nyaya iyi tikadzika
zvakanaka nayo tinowana ariiye ari
wrong panyaya iyoyo mwana uyu?" .

Ipapo vaitaura havo asi vainge


vadzikisa voice vavekutaura
zvakadzikamira uye vanhu vese
vakateerera "paresveka Tembo
ndingangoti wanikwaiwo
muchitiregerera ndoona sekuti
ndatungamidza hasha ndikabvuma kuti
dzinditonge zvakanyanyisa" vakadaro
bamunini vakanzi "hamuna
kutungamidza hasha chete asi maita
inonzi iyo child abuse ende abuse
yacho haina kuitikira apa chete even
kumupomedzera zvinhu zvamunenge
muchimupomedzera murikumu
kuwadza asi murikumu kuwadzira
mukati nekuda kwekuti zvinenge
zvichimudya moyo, mamwe mashoko
nezvimwe zvinenge zvichimuwira
hazvisi zvezera rake mwana anotoda
help uye anoda counseling ini hangu
gandizvigone kumba uko ayibatsirwa
na gogo vake iniwo ndine dambudziko
rekutungamidza hasha asi dzimwe
nguva hasha dzangu dzinokonzerwa
nekufunga kwakanyanya izvezvi
hanzvadzi yangu arimujeri hapana
nguva mwana wake ateverawo zvadaro
mwana wake uyu anochema
kubararadza husiku hwuno handina kuti
musarange mwana kwete mwana
ngaarangwe asi rangai nenzira kwadzo.
Izvezvi pavakazovhara zvikoro
ayidzingirwa school fees danho
ramakatorawo semhuri nderipi ok koo
baba vake action yavakaitawo ndeipi
handisi kuvamanikidza kuti
ngavabhadharire mwana izvozvo
hazviudzirwe munhu pamwana wake
ende hamuna musi wamakaona
ndichiuya kunobvunza kubva
zvandakatora vana ava hapana cent
kana chii zvacho chakabva kuno Kwa
Zhou chichitevera kubatsira
pakuchengeta vana ava ikozvino
Moment ndiye anga ondibatsira
kuchengeta hanzvadzi yake
achibhadhara school fees yake
nekutenga zvinodiwa kuchikoro asi
kusungwawo kwaakaita, izvozvi
kutaura kwandirikuita kumba kwangu
nemudzimai wangu tirikutotsvaga
tichiziva kuti pakutsvaga kwedu
tirikutsvaga Mari yema school fees
evana four ,three vangu iye Orna wechi
four mudzimai wangu anotomuda
Ornament zvakanyanyisa Saka hapana
chinonetsa mwana ndavakutora uye
ndava kudzokera naye. Ndakauya
ndichimusiya ndichiti pamwe hwubhuru
hwake hwekurwa nevamwe zvinhu
zvinoperera mumhuri asi zvoratidza
kuti kuno kwatozotisvitsa pasiripo
....enda unorongedza zvinhu zvako
tiyende iwe Ornament". Vakadaro ndave
kutosimuka zvikanzi na sekuru Zhou
"ayewa hazvidanzwo gara pasi
muzukuru, chokwadi pakanganisika
mwanangu kubatikana kwamunako
ndinokunzwisisa VaMuguri mwana
ndewemuno mumusha akangofanana
nevamwe vake ivava hatingaite zvinhu
zvekumukandidzirana sekunonzi
inherera isina hama kudaro ivo baba
vake nesu tese tiri vapenyu" vanhu vese
vakadairirana vachikumbira ruregerero
zvikanzi naivo sekuru baba Spencer "isu
vekwa Mugari nemi vekwa Zhou
hatichina ukama hanzvadzi yedu
irimujeri nekuda kwenyu mese zvenyu
kwete kuti nekuda kwekusimudza
danda kwaakaita no ende achidzoka
hatichatotendi kuti adzoke muno
mumusha ende tinovimba neniwo
hamuchamudi asi ukama hwedu nemi
hwurikutibatanidza nekuda kwevana
ava iyeyu Ornament na Moment Saka
ngatizamei kuti tichengetedze kaukama
kacho karipakati pedu" vakadaro vanhu
vakauchira nekutaura vakazvininipisa
zvine kukumbira ruregerero sekuru
vakazooneka vakasiya vati
ndizotariswe kana ndisina kukuwara
ndigoendeswa kuchipatara uye
vakasiya vaudza vanhu kuti chiitiko
chakadaro chikadzokorodzeka
vaizovasungisa zcekare panenge
pasina kutaurirana. Zuva rakatevera
handina kuyenda kumombe chero basa
pamba handina kuita ndanga
ndakangorara asi ndakazoti ave
masikati ndakabuda panze ndichitevera
mushana ndikaona ndavigirwa chikafu
namainini Mai Dorothy vakanditi
"nemapiritsi aya ukapedza kudya
ugonwa" vakagadzika pasi zvese ne
cup yemvura ayiva ma pain easy
vapedza kudaro ivo kwave kudzokera
Ku kitchen kwavainge vabva. Ndakaita
two days ndisina chandaibata pamba
asi mazuva akatevera ndainge
ndoutawo basa ukuwo nabamunini
ndaisataura navo uye ndaiva avoider
kana ndangosanganidzana navo zve
mistake ndipo pandaivakwazisa ,
kumvura ndaisaenda mbuya
vaindirambidza ndakazonzwa reason
yavo pavakabvunzwa nasekuru Zhou
kuti vaindirambidzirei Ivo vakati "izvezvi
vanhu vese muraini vakamumirira kuti
vamubvunze zvaayibongomorera usiku
musi uye regai mhepo imbodzikama"
mazuva akafamba ndiripo pamba
kumombe ndainge ndisisayende kunze
kwe gate ndaisabuda neniwo ndainyara
vanhu kuti vandibvunze chandaichema
uye ndaingofunga kuti vamwe vezera
rangu vachandiseka kuti ndakarohwa.
Mazuva iwayo nyaya ndaingoita
dzekunzwira pamba nevanenge vabva
kunze even zvekuti sekuru baba
Spencer ndivo vainge vazo winner kuva
Councilor. Takazoti tava pedyo
nekuvhura zvikoro rimwe zuva ari
masikati tichidya sadza vanhu vese
vakagara panze takaona Simba na
Corsy vachisvika pamba vasvika kudaro
vakakwazisa vanhu vachibva vazotaura
nyaya yavo yavainge vatumwa vachiti
ndaidiwa kumba kwavo uye ndaida
kuonekwa namainini vangu munin'ina
wa mom avo vainge vashanya hwu
sisters hwavo mamom vangu hwaiva
pakuti madzimai avo ndivo vaivawo ma
sisters ,ndakatosiya sadza nemufaro
zvaingonakidza kuti pane vakabva
dhorobha varikuda kunoonekwa plus
nekuziva kuti kwaigona kuine zvinonaka
ndakatokurumidza kugeza maoko
tikapinda munzira. Muroad mese
taingotaura nyaya dziri general
nezvisekuru zvangu takati tasvika
kumba takasvika tichingonanga
mudining room munova ndivo maiva
nevanhu "hezvoo Ornament zvaakura
nhai veduwe kubva waita shoti samai
vako chaivo vasikana kah kunyara here
uku" vakandidaro mainini
tichangopinda apa ndainge ndonyara
nyara ndikavati "makadii mhama"
Ndakadaro ndichityora muzura
vakanditi "uri right here Orna
irikunakidza here holiday?" Ndikati "yah
ndizvozvowo" Ndakadaro ndichigara
pasofa zvikanzi na gogo Mai Spencer
"chero face akangofanana namai vake
Moment ndiye akananga kuna bambo"
vakabva vanzi naivo mainini "haimi
maiguru regai kuda kundi spoiler mood
yangu ini zva baba Moment handimbodi
kuzvinzwa kana ka one" vakadaro
vakanzi "munogovarasira ani nhai Tete
vari ivo baba vevana venyu ava"
vakabva vatura mafemo mainini vakati
"vasikana kah zvakaoma maiguru
...mhama vako ndakapfuura
ndichinovaona vaikufarisa Orna"
vakadaro vaine face yairatidza
kusiririswa vakanditarisa zvakaita kuti
ndinzwe misodzi yangu ichiuya
vakayenderera mberi vachiti
"ndaitovaseka vachibvunza kwanzi
ririseiko gotwe rangu hanzi nguva zhinji
ndinogara ndichimurota mwana wangu"
kwakabva kwanzi nagogo "haiwaa
ngavatibvire vatete Mai Moment
kumurota kwekudii vachikonewa
kungotaura kuti varikufunga mwana
wavo chete". Mutauriro wavo wakaita
kuti tese tiseke zvikanzi na mainini
"kuda vanorirota gotwe ravo iri veduwe
ende pandakambovaona paye
vairatidza kuti vajaira prison life but
now vavakudzikira vanenge varikudyiwa
moyo nekusungwa kwakaitwa mwana
wavo ndipo paunoona kuti zvimwe
zvinhu ma challenges atiinawo
muupenyu Soo kah zvakaoma"
pavakadaro neniwo ndainge ndoda
kudzamisa pfungwa zvikanzi nagogo
"pinda mumba umu udire drink nema
biscuits Orna" ndakabva ndasimuka
nekukasika vakanzi namainini "koo
sadza rapera here ndiro rinogutisa"
vakanzi naivo gogo "ayewa uyu
musikana wema biscuits manje ndiko
kwake kana apedza obika rice rakati
wandei ratinokwana tese siyai soo
kitchen ndeyako nhasi ndakupa
muzukuru" . Takabva taseka hedu asi
vana Corsy vainge vatobuda kuyenda
ku road kwavaitamba bhora nevamwe
vavo ende ndizvo zvandaidira kwa gogo
Mai Spencer ndaipihwa mukana plus
freedom yekubika pasina
kuvhenekerwa nemaziso ,
pandakapedza kudya ma biscuits ne
drink ndakabva ndati "Koo sekuru na
Spencer varikupi" zvikanzi naivo gogo
"sekuru vako vakabuda nezuro
ndofunga vanotodzoka mangwana
vakayenda kutownship nevamwe vavo
vachifambira zvemusangano yavo,
Spencer angobuda handiti
unongochiziva kah chisekuru chako kuti
hachiwoneki" vakabva vaseka ini
ndichisekawo ndakazoita zvekubika
rice rainge rarehwa tikadya pamwe
chete ndini zvekare ndakasuka ndiro
pandakaona kuti kunze kwava kuvira
ndipo pandakazovawoneka ndichiti
ndaizodzoka ndichiona mainini next
day zvikanzi na gogo "ndini ndaita
mistake pauya vana Corsy
kunokusheedza dai ndati vasiye vataura
kuti ucharara kuno uchionana na mai
vako zvino vanhu vekwenyu ukarara
tisina kuvaudza anova futi mashoko"
vakadairirwa namainini vakanzi "hayii
musiyei hake ayende anodzoka
achindiona mangwana izvezvi tine
zvakawanda zvekufunga zvirinani than
mashoko anozotaurwa nevanhu vekwa
Zhou". Vakatsigirana asi ndava kuda
kutobuda ndikanzi na gogo "hezvo
zvandanga ndavakutokurega uchiyenda
nhaiwe Orna ndanga ndakaudza
Spencer but haana kana action
yaarikuita pane mabooks nema cover
zvakatengwa nasekuru vako
motaurirana nevamwe vako moona
musi wamuchaswera muchiita zveku
cover mabook enyu moita zvekukasika
zvikoro zvirikuvhurwa next week
usazobve kumba kwenyu usina kutaura
unokumbirawo wouya zvakanaka"
ndakabva ndavati "horaiti maitabasa
gogo pandinouya mangwana
ndinogona kusiya ndato cover mamwe"
Ndakadaro ndichityora muzura
ndichinzwa kufarira mumoyo kuti
ndichirikukwanisa kuyenderera mberi
nechikoro "ayewa tsika unadzo
mwanangu urambe wakadaro ndizvo
kah Orna?" vakandidaro mainini
ndikavapindura ne smile, ndakabva
ndanzi nagogo ndisheedze Corsy na
Simba vandiperekedze uye
vazondiyambutsa rwizi sezvo kunze
kwainge kovira asi ndakayenda kuroad
kwavaitambira ndikanovashaiwa
zvikanzi na gogo "zvino tingadii rega
ndichikuyambutsa hangu ini".
Ndakaona sekunge ndinenge
ndavaomesera ndikavati "ayewa regai
henyu ndinonoyambuka ndichimhanya
gogo" ndakavadaro zvikanzi "horaiti
muzukuru wangu ndokuona wauya
mangwana" ndakabva ndafamba asi
ndaifambisa ndave kusvika kurwizi
ndakasangana nevamwe vakomana
two umwe akada kunditevera
zvekundipfimba zvinova zvinhu
zvandaisada ndakamuti "iwe Manu
enda kwaurikuyenda handidi
zvemuyedzo" zvikanzi "dzungu ndereiko
Orna inga tese tirivanhu vakuru wani ita
easy" ndakamutarisa Kubva kumusoro
kusvika kuzasi ndaisamuona
zvakanaka hangu nekuda kwekusviba
kwainge koita kunze pandainge ndoda
kumutuka phone yake yakabva ya
ringer ndiko kusara kwaakaita ini
ndokudzika materu ekupinda murwizi
ndichimhanya asi ndichipinda murwizi
ndakaona vanhu vaviri vaiva kumberi
kwangu vakagara mumajecha chaimo
umwe akaita zvekuzvambarara kurara
pasi hana yangu ikarova umwe
akacheukira kwandaiva ndokusimuka
akati "at last azouya mwana wako
wawanga wakamira uyu sha saka inini
unondibata paden woitawo zvinhu zvine
skiri" raiva voice randisina kufungidzira
kuti nderani handina kukwanisa
kuribatanidza nekuda kwekuvhunduka
kwandainge ndaita asi ndakaramba
ndichifamba kuyenda kumberi
kwandaiyenda. Ayinge ataura izvozvo
akabva atobuda murwizi akakwidza
achimhanya asi achiyenda nedirection
imwe isiri yekwandaibva nako nekuda
kwekuti murwizi maizoita karima
kakanyanyisa kudarika kunze iye
akasvika kubudamo murwizi macho
ndisina kumbona kuti ndiyani "Orna"
akadaro mumwe ayinge asara apa anga
ayita zvekumuka agara musoro anga
akapfeka chihat hwudhu che jacket
zvekunge ayisada kuonekwa or
kuzivikanwa nevanhu asi akadaro
mushure mekunge ndave kumupfuurira
kundidaidza kwaakaita iniwo semunhu
ayinge agara avhunduka kare kutya
kwangu kwakawedzera. Paakasimuka
ndakaona ari Purpose
pakuzvibatanidza ndakaona kuti anga
ayenda ishamwari yake Kelvin ndakada
kumupfuurira zvikanzi "ndozviziva kuti
watondimaka nekuti ndirikukupinzasa
but sorry hako Orna ndanga
ndakavimbisa mukomana kuti
ndichapota ndichikanda ziso pauri but
hazvichatobudi because
ndavakumbono pinda mukati kati kuti
ndimboitawo maths dzangu tozobatana
usare uchiita munhu kwaye mupfanha
ndizvo kah" ndaida kutomudaira
zvakanaka semunhu ayinge
andionekawo asi ndisati ndamupindura
ini naye takacheukirana nekuside
randanga ndabva naro tikaona
mbuya,Bamunini baba Dorothy
nemukadzi wavo uyo ayinge akabereka
Dorica ndikaziva kuti anga ayita
dambudziko rake remazuva ese Saka
vaibva naye kwamadzibaba. Ayiva
nechidambudziko rekudonha ini
ndakada kufamba ndichiyenda "Mira
hako Ipapo" ndimbuya vakasheedzera
kudaro zvikanzi vasvika pataiva
zvikanzi nabamunini "takuranai
muyende taneta nemi endai munotanga
musha wenyu ende hamutione tichiuya
kunotemeseka musoro nemi"
ndaifunga kuti zvimwe vaingotaurawo
asi tese naiye Purpose wacho
takatozoona kuti vanhu ava vaitorevasa
iye akatanga kuramba kuyenda neni
zvakaita kuti Mainini vatungamidzwe
kumba Inini naiye tavakuyendeswa kwa
Chirasha nambuya na bamunini
ndakada kuti ndidzokere Kwa gogo Mai
Spencer asi bamunini vakanditi
"usazvizame hake zvekuda kutiza
ndikakumhanyisa unofira mumaoko
angu" nekutya ndakabvuma kuyendwa
neni.
*Stay tuned.......*
https://chat.whatsapp.com/K1tH8zJ3i
3cEtOZw0Dtrhp

https://www.facebook.com/10008970
3952641/posts/pfbid0bidBYYBtbxHBze
fEwC9vQ5GnvFfToqPNSkBxAytFfzbZD
1EtfVAoy1GrcK7yBETgl/?app=fbl

ȱPress apa ndokumbirawo uyise like


Yako ku fb pana Chengeto asi kana
wakaisa kare usadzokorore.
*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI
*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 15*

Tichifamba kudaro Bamunini


vaibatsirana kutipopotera vese
nambuya "mudhara zvamurikuita
zvakatodhakwa because ini handina
zvandamuita mwana uyu mangowana
ndakamira naye plus ndanga
ndichitomuwoneka because mangwana
ndirikubuda" akadaro Purpose asi point
yake yekuti ayida kubuda ndakaona
sekunge yakatosungirira zvinhu nekuti
vakava nepfungwa yekuti ayida kutiza
"tingatopedzisira tauraya mwana
tichingomurova nekuda kwako
shamwari uyu mwana
wakatomukanganisa pfungwa ende
uzvizive kuti urikufambidzana nemu
under age dzitori tsitsi uye kunzwisisa
kwedu kuti tangokutii endai mese
taifanirwa kunge tichitokuendera
kumapurisa" vakadaro Bamunini
zvikanzi na mbuya "ayewa ukaona
vanhu vachinzi regai zvamurikuita Ivo
vorega kuteerera voramba vachi
hwandirana woziva kuti vakura". Ini
ndakabva ndavati "ndichingobva kwa
Chirasha ndirikudzokera kwa sekuru
kwandabva ende ndonovaudza kuti
murikundiendesa kwana Purpose
zvekundimanikidza" ndakadaro zvikanzi
na Bamunini "Ivo sekuru vako ndivo
vanokutendera kuhwandirana
nemukomana murwizi usiku here"
ndikati "ndahwandirana naye kupi
inini?" Ivo Bamunini vairatidza kuva
nehasha idzo dzandakafungira kuti
zvasangana ne stress yekurwarirwa
nemwana vakanditi "ndokurova iwe
wazvinzwa kah unoti tinopenga here isu
tiri vanhu vakuru ende taona
zvanyanyisa ndokusaka tati
muchitakurana kumba hatichadi
kukuona zvirikuratidza kuti wakura
stereki" vakadaro zvine hasha mukati
nguva yese iyoyo Purpose ayinge
anyarara. Takati tasvika kumba kwavo
ndiye akavhura gate asi ayingotura
mafemo kasingaperi "tisvikewo pano
pamusha" vakadaro mbuya vakadairwa
namai Chirasha avo vaitobuda kubva
muimba yavo hombe ukuwo imbwa
dzepo dzayiuya kwataiva dzichitevera
Purpose ndakashaiwa kuti ndomuudza
sei ndakambopindwa nepfungwa yekuti
dai asaidzira vanhu imbwa pakutiza
paye ini ndowana kudzokera Kwa
sekuru asi ndakazofunga zvekare kuti
ukarumisa munhu nembwa
unosungiswa" Mai Chirasha
vakadairana zvakanaka na mbuya
vangu tikanzi tinopinda mu kitchen
mavo umo matakati tapinda vanhu
ndokukwazisana asi Purpose haana
kupinda takamusiya panze zvikanzi
naivo Mai Chirasha "kwakanaka here
kwamafamba usiku hwuno Mbuya
Zhou" vakabvunza kudaro ini ndainge
ndakatsikitsira musoro hangu asi
ndakanzwa kuti apa ndakatariswa. "Iyii
zvakaoma Mai Chirasha muchiona
tauya usiku kudai ndatoti kuna baba
mudiki vemwana uyu hazvina mhosva
kuti muri baba vemwana asi handei
tese zvaitika ndezvekuti tanga tirikubva
Kwa Matanda uko nemwana chizukuru
changu rugotwe rwavo ava anga
arikudziya muviri zvino patinodzoka
tichinopinda murwizi taona vana iyeyu
nemuzukuru wenyu uyo vari vese
murwizi..." Vasati vapedza kutaura Mai
Chirasha vacho vakabva vakanuka
vakati "murwizi? nguvai idzodzo".

Zvikanzi nambuya "izvozvi usiku hwuno


Mai Chirasha ndokusaka tati tipinde
muroad navo vese zvoratidza kuti
vakura isu hatichakwanise kuramba
tine mwana uyu nekuti mangwana
tikazoona ashata
uyu mukomana anogona kuzviramba
asi achionekwa kakawanda ane mwana
mu under heji uyu" vakadaro mbuya
vachida kuti mu under age asi Mai
Chirasha vakaratidza kupererwa
ndokutura mafemo. Vachibva
vasheedzera vachidana Purpose uyo
akati achisvika pa door re kitchen
vakamuti "enda unodana bamukuru
vako kumba kwavo uko" iyewo
akangofamba achibva padoor paayiva
achinanga kwaanga atumwa zvikanzi
na mbuya "Kasi pane vedhorobha
vakauya here" Mai Chirasha vacho
vakangodaira nezwi rakadzikira vakati
"ehe vakauya kuswera zuro asi
vanotodzokera mangwana" zvikanzi
nambuya "aah pakanaka zvino vatoona
vamwe nguvai nhai veduwe" Ipapo
ndakangosimudzawo musoro
zvishoma ndikaona ivo mbuya vangu
vachitenderedza tenderedza maziso
kutarisa zvemu kitchen mamai
Chirasha "havasi kumbogarisa vakasiya
mhuri kuno vakangouya vega vanga
vatouya kunotora mukomana iyeyu
vane zvekuita zvavanga vamuwanira
vachiti awane chekunobata bata
arikowo kudhorobha kwavari uko".
Varipakati pekutaura nekupindurana
nambuya iye Purpose nabamukuru vake
vakabva vapinda vakadungamidzana ini
vana Bamunini nana bamukuru vake
ndaisanyanya kuvaziva taingoita
vekunzwa sezvo vaiva vanhu vaingoita
zvekuuya kumusha ende pakuuya
kwavo vaigona kudzokera tisina
kuvaona kana kuziva nezvavo , vapinda
vakasvika vachigara pa bench paiva na
Bamunini baba Dorothy kwave
kukwazisana vachiitana hand shakes
"amai makasimba here" vakadaro
Bamukuru va Purpose vachimhoresa
mbuya vangu vakanzi "tinosimba
mwanangu kwakadii kumabasa
nemhuri dzatanzwa kuti makadzisiya
kutaundi kwenyu uku" vakanzi "haiwa
hah zvese zvitsvene mhayi" Mai
Chirasha ndivo vakazoti vanhu vapedza
kukwazisana. Vakatanga vatura
mafemo ndokuti "ndini ndakudanai
baba Philip ndikati ava vekwa Zhou
muchiona vauya kudai varikuti
vakuvigirai mhuri uyu mwana
wamunoona agere apa muzukuru wavo
Kwanzi vamuwana vari vese murwizi
usiku hwuno na Purpose ...kangani
kandinogara ndichimutsiura Purpose
pano pamba nhai baba Philip
haanzwisise unotoshaiwa kuti mwana
rudzii honai manje kwazvasvika izvezvi
anomupei mwana iyeyu?" vakadaro
vave kutaura zvine kumupopotera
zvikanzi na Bamukuru vacho "regai
kufunga zvakanyanya amai
mungatozviuraya ne BP nekuda
kwemunhu asinganzwisise anoziva iye
zvekumupa hazvidi isu izvozvo handiti
kuziva kumira nemwana wevanhu
murwizi usiku kuratidza kuti akura plus
hwutsotsi kauhwu?" . Vakadaro
Bamukuru vake asi nenguva diki iyoyo
ndanga ndatoona kuti pamba Pavo
naiyewo ari mupfumvu seyangu
"handina zvandamuita
handifambidzane naye mwana uyu
baba, chero kumuudza shoko rerudo
handisati ihanzvadzi yeshamwari yangu
iyi ndanga ndirikutomuudzawo kuti
ndirikubuda mangwana
ndichitomurairawo zvakanaka sezvo
mukoma wake ndakamuvimbisa kuti
ndichapota ndichimutarisawo" akabva
agamwa na Bamunini baba Dorothy
akanzi "kumutarisa wakamira sani
haana hama here Ornament uyu izvezvi
aswera Kwa sekuru vake kuhama
dzamai vake isu tiri hama dzababa vake
Ivo baba vake vacho variko ende
vapenyu last time havana here kukuona
wakamira nemwana uyu munzira
Kwanzi muchitamba muchibatana
batana muroad inopfuura nevanhu
vese hapana nguva izvezvi
waihwandirana naye kusango uko
mazuva ayayinorisa mombe saka rega
kutiona setinopenga ,kana wanga
uchida kumuwoneka inga kwanzi
kwasekuru vake unosvika wani
waregerei kunomuwoneka ikoko kunze
kwakachena murwizi wanga uchiitei
naye nerima irori" vakadaro vachitarisa
panze kurima racho. Sezvo nguva
dzainge dzawedzera kufamba ikowo
kunze kwacho kwainge kwawedzerawo
kusviba "haah murikutambisa nguva
yenyu Ini handisi kumutora semukadzi
wangu because handidanane naye plus
handina zvandakamuita" akadaro
Purpose akanzi na bamukuru vake "hwu
stubborn hwako ihwowo ndihwo
wakusvitsa patiri nhasi" vakadairirwa
namai vavo avo vakabva vati "Purpose
ndanetawo naye ini baba Philip
ndasvika pandagezawo maoko nezvake
nyaya yake nemwana uyu ndakainzwa
kare ndikamutsiura chero ivo baba
venyu chaivo dai varipano vachipupura
vakambomutsira vakati kana mashoko
achifamba kudai tambira kure
nemwana iyeye chionai manje nhasi
patiri ,zuro ndizuro ayimhanyudzana
nemuzukuru wekwa Mai Madzinga
ndizvo zvimwe zvandaikunetserai
nekukupai pressure ndichiti torai
mukomana uyu mumbogara naye
kudhorobha kwenyu uko zvimwe
mitauro inga ita mishoma muno
mumusha asi zvazvadai zvatoshata
hapana kwekutiza nako".
Vakadaro Mai Chirasha vakanzi na
bamukuru vake Purpose "tinganetseka
nemunhu mukuru here uyu amai 24
years dzaanadzo kutokura ikoku iye
kuzoziva utsotsi hwekuhwandira
mwana wevanhu achida kuonana naye
pakavanzika kuziva kuti kuonekwa naye
pachena hakuite izvozvo chete
zvinokuudzai zvega kuti munhu
akadaro aneutsotsi hwakanyanyisa
paupenyu hwake? Ipapo ndakaona kuti
chokwadi chaitaurwa nevanhu
munharaunda mayererano ake Purpose
nemagariro ake kuti chaiva chokwadi.
Hapana akada kunzwa side rake iniwo
kudivi kwangu kwaivawo nemamiriro
mamwe chete iwayo "zvino hatichagare
mhuri yenyu ndiyoyi yatakusiirai izvozvi
tichibva pano tonanga nekwa VaMugari
kwana sekuru vake iyeyu because ndiko
kwaaswera nhasi tonovaudza
mufambiro waitwa nemwana achibva
nekwavari" vakadaro mbuya vakanzi
namai Chirasha "hoo vaonana uyu
achibva kwana sekuru vake?" Zvikanzi
nabamunini baba Dorothy "ehe
ndinovimba kuti vanga vatotaurirana
nguva dzekusangana nekuti uyu
mukomana uyu nguva dzataenda Kwa
Matanda tavaona ayine shamwari yake
vachitofambira mhiri yekwana Mugari
ikokuya Saka ndofunga haana kuziva
kuti isuwo tafambira mhiri iyi ndizvo
zvimwe zvatozoita kuti tirwadziwe
zvakanyanya nekuda kwekuona kuti
varikutozama kuti tamba vari vaviri
kudai" vakadaro vave kusimuka ini
ndichibva ndasimukawo zvikanzi na
mbuya "Koo unoendepi urikusara pano
ndipo pava pako vatakusiira ndivo
vachaona zvekuita newe nekuti
tikasadaro ungatotitemesa musoro
Ornament tikazoguma tiri isu tave
kumapurisa nekuda kwako vanhu
vachikurova" ndichibva ndavati "ndoda
kuyenda Kwa sekuru kumapurisa
muchatokuyenda because mati ndigare
nemunhu wandisinga danane naye plus
handingaite imba ini ndiri under age
kuchikoro tinodzidziswa kunzi munhu
anotanga imba ava 18 years and above"
Ndakadaro asi vese vekwa Chirasha
neve kwangu vaivapo Ipapo
vakandikutsanirana nemashoko
ndikashaiwa power. "Uchanetsa
kuchengeteka iwe ndizvo zvaari izvozvi
ane pamuromo pasingamharwi
nenhunzi vanhu vakugamuchira
zvakanaka uye vaona kutadza kwenyu
unoti vanopenga here ava kukubvumira
kuti usare kana uchida hande asi
tinotomuka mangwana tichinanga
kumapurisa asi nekuda kwekuti ava
vanhu vemuraini uye vatinoziva
hazvingaiti kuti tinzi tamuka tichino
reportera muzukuru wavo" vakadaro
mbuya ndikatarisa Purpose ndikaona
akatsikitsira musoro wake kwave
kusimudza musoro akapukuta kumeso
kwake zvandakaona kuti ayitochema
apa vana mbuya vainge vofamba
kubudiswa muruvanzi "ndiite sei
Purpose handei kumapurisa kwacho
tinovaudza kuti hatidanane plus hauna
zvawakandiita" ndakamudaro ndave
kutochema iye kwave kusimuka kubva
pa bench paayiva kwave kundibata
ruoko zvikanzi "huya kunoku" akadaro
tichibuda kubva mu kitchen asi tave
panze takaona Prog akati "Koo hindava
sekuru Purpose kasi matova
nemukadzi?" akabvunza kudaro asi
haana kupindurwa Purpose wacho
akanovhura mune imwe room ye pane
imwe imba hombe asi yaiva room ine
door rainge rakatarisa muvheranda.
Tapindamo ndakatoona kuti ndimo
muimba make maayirara pakuti pamba
pavo paiva pachirungu vaiva nemazi
Solar zvekuti paiyita sepane magetsi
akandigarisa pakamubhedha kake
kwave kuvhara door nemukati
akadzoka achigarawo pandaiva
zvikanzi "Orna chekutanga ndoda kukuti
sorry kumira newe kwandayiita
nekukuhwandira kwandayiita
ndaisaziva kuti zvichatisvitsa pano
nekuti chokwadi chaicho handina musi
wandakambokuchiva ndichiti ndizokuti
uve mukadzi wangu asi kuti
ndaingokuonawo sehanzvadzi sezvo uri
hanzvadzi ya Moment. Inini handisati
ndava ready zvekuva nemukadzi kana
mhuri because handina chandinacho
Orna nhumbi dzekupfeka chaidzo
ndinotokumurirwa nemadzikoma angu
kana vanin'ina kubva kuvana vana
bamukuru nana bamunini vangu, na
Moment takazonyanyisa kunzwanana
nekuti kubva zvakasungwa Mai venyu
magariro nema situations amaiva
zvaiyenderana ne situation yangu
ndokusaka ini namukoma wako
tainzwanana zvakanyanya tichionesana
pazvimwe zvinhu urikuona?"
Akandidaro ndikatenda nemusoro
zvikanzi "iwewe une pfungwa dzako
nezvaurikufunga zvekuti ubve pano
iniwo ndine zvangu zvandirikufunga
zvekuti ubve pano asi ukada
kuzvitarisisa hatina kwekubva
tichinanga kumwe kusiri muno
mumusha izvezvi vanhu vekumba kwa
sekuru vako vachanoudzwa poison
chaiyo yekuti vanogona kutadza kuzvi
believer kuti ini newe hapana iripo"
akataura ne voice rairatidza
kurwadziwa ende haana kundivanzira
misodzi yake because akatopfikura
achidororotsa musoro uye achipukuta
musodzi "pano pamba pedu ehe asi
neniwo handina kugara zvakanaka Orna
chero pandauya nemi ndanga
ndakazvitarisira kuti vese vachangoona
nyaya semaonero avayiita izvezvi"
akadaro achimedza mate zvekuridza
huro zvinoitwa nemunhu ane pain. "Koo
ayenda kupi Purpose" vakadaro nezwi
rine hasha vari panze bamukuru vake
iye kungonzwa kudaro akabva
angosimuka achibuda asi achangobuda
akatanga kutopopoterwa zvinova
zvakaita kuti kutya kuuye mandiri
zvakanyanyisa plus nekurwadziwa
nekuda kwe situation yandaiva
ndakatanga kuchema. Ndaiti
ndikafunga kuti vanhu muraini
vaizotaura kuti Orna akatizira ndofunga
zvekare kuti pachavhurwa zvikoro mbiri
ichatofambiswa kunzi ndakatizira ndiri
form three zvaibva zvawedzera
kundirwadza ndofunga zvekare kuti
inini nana Prog taisawirirana uye
taigara tichirwa ndaiona zvese
zvichindirambira kuti ndive kwa
Chirasha apa ndichichema ndirimo mu
room ma Purpose naiyewo ndainzwa
achipopoterwa kwaayiva ndaibva
ndashungurudzika zvekutoona kuti
neniwo ndaigona kusapagara
zvakanaka.

Akazouya pave paye akapinda Mumba


akabata plate ye sadza zvikanzi "harisi
haro kupusa ratonhora ranga riri rangu
ndini ndanga ndarisiirwa but
Idya hako" akadaro achinditambidza
ndikamusairira ruoko rwake
ndichiramba because ndaisava ne
appetite "kuseni unogona kunozama
luck kwa sekuru vako ndokuperekedza
unomukira makuseni chaiwo vanhu
vasati vamuka because nguva
dzinomukwa nevanhu vepano
ndodziziva ndokuperekedza toyenda
tese vakabvuma kuti usare wosara
hako because ini kuside kwangu ma
one Sha" akandidaro ndikaona iri good
idea haana kuzobuda mumba mandaiva
apa ini ndainge ndonzwa weti asi
ndakanyara kumuudza takambogara
takanyararidzana ini ndaingopfikura
kuchema. Patakanzwa vanhu vave
kuvhara madoor zvekunorara iye ndipo
paakati "rara hako muno ini
ndirikunorara na George" ayirehwa
ayiva mupfudzi wemombe dzepamba
pavo handina kukwanisa kumudaira
akangotora phone yake ndokubuda asi
ndakazvishingisa kurara ndakasunga
weti yangu ndaitya kubuda panze zvaiti
kutya imbwa ,zvoti kuzeza uye
kushaiwa pekunanga pamba pevanhu.
Ndikati ndakarara ndinganyepa nekuti
usiku hwese ndaizvikuwadza
nendangariro ndichinzwa zvekare
kushungurudzika pandayiita
sendobatwa nehope ndaibva
ndapepuka ndotanga kuchema
pandakazobiwa nadzo hope chaiko
ndakavhunduka ndichinzwa door
kuvhurwa ndikaona ari Purpose
zvikanzi "sorry hako ,ndauya
kunokumutsa handei" ndakangosimuka
pakamubhedha kake nekukasika kwave
kupfeka zvimapushi zvangu zvaiva
zvima flotters zve plastic panguva iyi
taizviti zvimanyangira dahwa apa
zvainge zvarerekera one side sezvo ini
ndaiva nechitsoka zvekuti chero
kumba vanhu vaigara vachinditi
chitsoka cha Orna chipfupi but
chinopaza bhutsu. Pandaipfeka zvima
pushi zvangu ndakatoona iye Purpose
akanditarisa kutsoka kwave kubuda
zvikanzi "usafambe zvine noise"
takakwanisa kunyangira kusvika tabuda
paruvanze tave kunze kwe yard yavo
ndakamuti afambire pamberi
mbichana ini ndokutumba pa hedge
yavo ndikawetera ipapo ndapedza
ndakafamba zvekumubata zvikanzi
"weti yacho inenge yanga yakukiyawo
rough wabva waweta kunge mombe
kudaro?" akandibvunza zvine ma jokes
mukati achizama kuda kundisekesa asi
kuseka kwakaramba kubuda mandiri
ndakangoita fainting smile ndokuridza
tsamwa naiyewo akangoseka takati
tave kusvika kwana sekuru baba
Spencer ndokundiudza ma points ekuti
ndisvike ndichinotaura . Takanosvikira
vana gogo vakarara pandaka knocker
vachinzwa kuti ndini havana kunonoka
kuvhura door "Koo muri mese?"
Vakatibvunza kudaro vachitipa mukana
wekupinda mumba tavemo vakabva
vanomutsawo mainini ndokuzotaura
kuti ndanga ndauya kunosara vese
vakatura mafemo zvekupererwa
zvikanzi namainini "zvinhu zvinorwadza
mwanangu nekuti une 15 years, iwewe
une makore mangani nhai mwanangu?"
vaibvunza Purpose uyo akabva avati
"ndine 24" vese na gogo
vakadzungudza misoro yavo
vachiratidza kupererwa zvese
nekurwadziwa "tingadai takutora
mwanangu asi vanhu vekwenyu Kwa
Zhou vakabva pano zuro tikafonera
sekuru vako vakataura kuti dzokerai
munotora mwana kwamamusiya asi
vanhu vekumba kwenyu vakaoma sorry
hako kuzvitaura pamberi pemukomana
uyu asi ndati vanhu vekumba kwenyu
inyoka dzine musoro miviri Ornament
uri mwana but kura uchiziva kuti ndizvo
zvavari hongu zvinhu zvinosanganikwa
nazvo mumhuri dzakasina siyana asi
ava hatizive kuti vanovenga sisi vangu
here kana kuti vanovenga imimi sisi
vangu havana kukuhurai iwe na
Moment vakatovaita na Tyson iyeuya
ndivo baba venyu, asi zuro vakasiya
vataura mashoko anorema pano vakati
mukanomutora muzive kuti ndimi mava
vana baba vake zvese nana Mai
akawana chinomuwana musatizivise...
chei chavaireva chinokuwana vanoda
kuti tikakutora vagokuuraya
vatiramwire chitunha chako?" Vakadaro
vave kupopota ivo mainini vakadzorwa
na gogo avo vakati "ayewa uyu mwana
haana zvizhinji zvaangaziva ende paari
anotovawo ne stress Tete sandinyore
kuroodzwa nezera rake hongu kuuya
pano kutsvaga help asi hatina
chatingakwanisa kubatsira nacho
nekuti kutomuramwirwa kwatakaitwa
hongu anochengeta munhu ndi Mwari,
sekuru vako vakati tikusiye uriko Kwa
Chirasha nekuti zvakavarenerawo hako
Orna zvinhu zvinonetsa kugamuchira
hongu asi ndizvo zvavapo vanhu
vaigona kutibatsira kuti udzoke kumba
ndeveikoko Kwa Chirasha because uri
under age isu tikada kutungamira
kumapurisa vekwa Zhou vane mukana
wakakurisa wekusungirira uyu chero
kukanzi haana zvaakakuita but
mufambiro wacho unomusungirira
nekuti uri under age iye 24 years
anotonzi akura kana tava kutaura zve
law... zvino varikutiiwo nenyaya iyi
vanhu vekumba kwenyu nhai Purpose?"
. Vakamubvunza kudaro gogo iye akati
"zvakatooma gogo mugariro wangu
ndiwo uya wamunoziva bamukuru
vanga vauya vachinditora kuti
ndimbonoshanda ku workshop kwavo
but zuro vakatondiudza kuti ndava baba
ndichazvitsvagira ndega zvekuita,
zvizhinji tingataura but neniwo kuside
kwangu zvekuti vangasimudza musoro
kuti Orna adzoke ndinganyepa apa
kwanga kurikutozamawo luck kwamuri
kuti mumutore but kana muchiti ndiwo
mamiriro ezvinhu makamuramwirwa
muchinzi mukamutora akawana
chinomuwana moona kwekumuisa
yeah pakaoma ipapo . Tichangogara
hedu hameno life yacho
kwaichatiyendesa" akadaro akanzi na
gogo "tiripo pakukubatsirai usazvidye
moyo Purpose matokura kudai sekuru
vake uyu naivowo vanga vachitovimba
kuti vanhu vekumba kwenyu ndivo
vachaita kuti uyu adzoke kumba but
kana pakadaro hapana hope nyaya
dzacho dzingazoperera kusiriko dai
vekumba kwenyu variivo vakaramba
kumugamuchira zuro wacho dai
tirikutotaura nyaya yakasiyana
neyatinayo nhasi" iye akabva
adzungudza musoro achiratidza
kurwadziwa kwake akati "maybe
ndatokura pamwe ndiko kukura kwacho
tichagara hedu inyaya yekuti
zvirikurema nekuti upenyu hwangu
hapana chamusingazive gogo
ndofunga kakawandisa kandayiuya
ndichiudza sekuru pano vachindi
comforter but yatodeuka asi izvezvi
handina kana cent rekuti
ndingamutengerawo zambiya hameno
mungandibatsirawo sei kutokumbira
kubva kwamuri nekuti kumba handina
angambondipa ende zvirikurema kuti
ndinovakumbira" . Mainini vakabva
vatura mafemo vakati "vanoomera Mari
yekukupa kuti utengere mumwe wako
zambiya chairo ? mukati vanhu
vekwenyu Kwa Chirasha dzimba
nemota zvinomiswa payard penyu zviye
vanozviita vachishandisa pfungwa
dzavo chaidzo here kana kuti
hwunongova hawo utsinye hant ndivo
vangadai variivo varipamberi kutaura
zvekumapurisa nemari dzavanadzo
vanokumiririra zvese zvekunzi
unosungirirwa nenyaya because uyu
under age nemari dzavo vaizvishaisa
value Saka chii kuomera here ,ayewa
hazvina hazvo mhosva ini sisi vangu
vari mujeri ende havana zvavangagona
kuita saka masangana nherera muri
nherera pamuri ipapa zvakangofanana
tongoti uyu haana baba nekuti dai
varipo tingadai takanzwa nezuro
pavakafonerwa vaifanirwa kuti
kumunin'ina wavo namai vavo endai
munotora mwana asi vakanyatso
kupindura vachiti musikanzwa ya
Ornament inonetesa kana maona
chimiro chacho chichikodzera kuti
mumusiye musiyei. Saka mashoko
andingakuudzai ini samai venyu
ndeekuti muise musoro yenyu pamwe
chete muchengetane" vakadaro asi
vaipota vachitariswa na gogo zvine
kutsiurwa mukati nekuti mainini vangu
chipo chekutaura vaiva nacho dzimwe
dzenguva vairasika mukutaura kwacho.
Gogo vakazondirongedzera ka small
bag kaiva nehembe dzangu sezvo
ndainge ndisina kutakura dzese Kwa
Zhou vachibva vandipa zambiya ravo
zvese nedhuku zvikanzi "hapana
chinomboyera apa chero mukasvika
makaribatira pachena bag munovaudza
kuti tarongedzerwa nagogo"
takavatenda ndokusimuka. Kunze
kwainge kusati kwanyatso kuchena
takabuda na Purpose tave kudzokera
ndiye akatakura ka bag kacho tikasiya
vana gogo Mumba mavo tave panze
takaona Spencer achibva ku toilet
akanditi "Orna wavakusiya chikoro
uchinoroorwa zveshuwa?" Zvakandipa
kudonhedza musodzi ndakatadza
kumupindura tikangomusiya akamira
isu tichifamba kuyenda asi ndainzwa
kushungurudzika "hongu ndinosinzwa
nyaya dzekuti vanhu vanoroorana
nenzira dzakasiyana siyana asi
chokwadi ndechekuti ini newe tirimu
situation inorwadza kudai nekuda
kwekuti tashaiwa anotimiririra baba
Spencer ndivo vaigona kusimudza
musoro asi vaiswa pakati nevanhu
vekumhuri dzedu kwatinozvarwa saka
pakatooma sha" akadaro tave kunze
kwe gate Purpose asi handina
kumudaira kubva ipapo
takanyararidzana. Kusvika tanosvika
kumba kwavo uko kwatakanosvikira
mbuya vake vamuka zvikanzi "hezvo
murikubvepi usiku hwuno ibag kairi
mabva naro kupi kwa Zhou unopenga
here iwe Purpose?" Vakamubvunza
kudaro iye akati "tirikubva Kwa Mugari
arongedzerwa na gogo vake" vakangoti
"howoo ndanga ndati mabva Kwa Zhou
Saka kubuda musingaoneki ndiko kudii
ikoko nhaiwe?" ndakavasiya
vachitongesana ini ndokunopinda
mandainge ndambobuda munova
muroom make mandakanogadzika ka
bag ndokusunga zambiya ne dhuku
sezvo zvaiva zvinhu zvataingokura
tichiona kuti munhu akatizira anodii
pamba pevanhu. Ndakabuda
ndokubvunza paiva nemutsvairo
wepanze ndikauratidzwa naivo Mai
Chirasha kwave kutanga kutsvaira
paruvanze "usazobude hako sekuru
vako varikusvika manje manje vati
vanoda kusvika uripo " vakadaro Mai
Chirasha kuna Purpose akangoti
"horaiti" ini ndakati ndave kupedza
kutsvaira Prog ndipo paakamukawo
mbuya vake vaiva mu kitchen mavo
vakamuti "budisa ma plates panze aya
mugobatsirana nemumwe wako
kusuka" akatanga kuyabudisa ini
ndichipedzisawo kutsvaira kwangu asi
takazoti tave kusuka ndanga
ndakanyarara zvaisava nyore uye
ndainzwa kushungurudzika "Saka
wairamba wani kuti unodanana na
Purpose pane munhu angatizira munhu
waasingadanane naye here?"
akandibvunza kudaro Prog asi muromo
wangu wakaita sewanamwa ne glue
ndakatadza kana kumupindura
takasuka tese ma plates kusvika
tapedza kwave kuzobatsirana
kuchereredza mvura sezvo paiva ne tap
asi zvese izvi taizviita
mukunyararidzana nekuti taisava
nenyaya Mai Chirasha ndivo vakazobika
tea tese tikanwa ndiro dzatakanwira
ipapo ndini ndakanosuka. Zuva rati
kwirei nekushaiwa wekutaura naye plus
kushaiwa zvekuita ndakanogara
muroom ma Purpose ndiri ndega iye
handina kuziva kuti ayivepi or ayiita
nezvei pamba pavo ipapo asi ndiri
muroom make kudaro ndakazonzwa
kuburikidza nezvaiyitika panze kuti
VaChirasha vainge vadzoka kubva
kwavaiva uko kwainge kwakaendwawo
na sekuru baba Spencer , ndakazouya
ndichisheedzwa na Prog achinditi
ndaidiwa na mbuya vake ndokubuda
kwandakaita asi ndainzwa kuremerwa
chaiko ndakaudzwa kunzi vaiva kune
imwe imba yavo hombe uko
kwandakanopinda ndokusvika
ndichipfugama ndikavakwazisa
VaChirasha vakandidaira zvakanaka.
Nguva idzodzo ndidzo dzakapindawo
bamukuru va Purpose baba Philip
vainge vatochena zvekuratidza kuda
kuyenda ini ndakazongo simukawo
zvine hwunhu kubva mavaiva
ndichidzokera ku room yeumwe wangu
kwandainge ndabva asi ndirimo kudaro
ndakazonzwa kuseka kwekuridza
chikuwe ndikadongorera nepa window
ndichitarisa panze ndokuona ari Tildah
na Prog asi vaiva kuside ku gate
ndakagara pabed ndokutangidzazve
kuchema ndichitofunga kuti obvious
vaiseka inini . Ndirimo kudaro ndaipota
ndichidzokera pa window
kunodongorera kusvika ndazoona
Tildah ave kudzokera , iye Prog
achidzokawo kumba vakasanganidzana
panze nambuya vake akanzi "kanga
kachidei kashamwari kako ako
ndakakuti chii nhaiwe Prog?"
Vakamubvunza kudaro iye achibva ati
"iyii hapana gogo ane kwaanga
achitobvawo anga achingobvunza
sezvo dziri news dzatofamba dzekuti
Purpose ava nemukadzi" kuzodaro
ndakanzwa sendaitsemurwa moyo
"handidi kukaona pano kashamwari
kako ako nekuti mangwana hatizodi
mashoko anonetsa kana kuzonzwa
zvimwe zvinhu" vakamudaro iye akati
"horaiti mbuya" zvese izvi ndaizvinzwa
ndirimukati .Ukuwo nerimwe divi
Purpose ndainge ndazosiya arimumba
nasekuru na bamukuru vake apa
ndainge ndozvibvunza kuti arikuudzwa
kunzii chaizvo asi akazouya mandaiva
pave paye akasvika achiita
zvekuzvikandidzira pabed akarara
akatarisa mudenga ndikamuti "kwanzii
nasekuru vako" zvikanzi "hapana
vangatii havo obvious watova wepano"
kuzondidaro ndakaramba
ndakamutarisa ndave kutoona picture
yekuti ayiyenda kubasa ini ndichisara
hangu kumusha "Saka urikutoyenda na
bamukuru vako kubasa?"
Ndakamubvunza kudaro achibva aseka
zvikanzi "Orna hausikutombo nzwisisa
kana kugona kubatanidza zviri pa
ground handiti, vanhu vepano
urikuvaziva zvakanakisisa here iwe
kubasa kupi zvatovharana zviye sha"
akabva aseka asi ndichiona kuti kwaiva
kuseka zvekurwadziwa nguva idzodzo
kwave kutomuka kubva pakabed kake
akatora rekeni dzake dzaiva
dzakahakirirwa pachipikiri chaiva
kumadziro adzitora kudaro akadziisa
muhuro ndikamuti "wavakubuda?"
Zvikanzi "ehe ndoda kunobopa mombe
ndidzisungirire pangoro ndanzi
ndinotakura chibage chakaunganidzwa
nezuro kumunda".
*Stay tuned......*

https://chat.whatsapp.com/Iq5A7AUaL
aICuPbFiipgqU

https://facebook.com/groups/1018956
279079680/

Pressȱ this link to join our Facebook


page.
*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*
*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 16*

Ndakaona sekunge Purpose akabuda


pamba ndaizonyanya kusara
ndichisurukirwa "Koo hazviite here kuti
tiyende tese kumunda kwacho"
ndakamubvunza kudaro ave kuda
kubuda padoor achibva amira kwave
kunditarisa zvikanzi "Sara kurikupisa
uku ndodzoka manje manje kungono
loader ngoro nekusenga ndichidzoka"
akadaro ndikamuti "urikunoyi loader
wega?" Ndakabvunza kudaro
ndichishamisika Zvikanzi "no ndinenge
ndina Edmore" ndakangomuti "ok".
Akabva abuda asi achangobuda
ndakamunzwa achiti "ah ah ah
tigamuchire sekuru" pandakanzwa
kudairwa kwake ndakasimuka fast
ndichibudawo panze "zvirisei
chikomana varipi vanhu vakuru vepano"
vaiva sekuru baba Spencer vakanzi na
Purpose "vari mumba umo handei
ndikuperekedzei" ayireva kuimba
hombe kwatainge tavasiya vari
"muzaya" vakandidaro sekuru mushure
mekunge ndabuda muroom ma
Purpose ndamira nechemuvheranda
ndikati "ndoda kudzokera nemi kumba
sekuru" Ndakadaro ndavekutopfikura
kuchema Ivo vakati "Rega ndione vanhu
vakuru ndozodzoka ndichikuona
Ornament" vakadaro ndikavadaira
ndichigutsiura musoro zvekutenderana
navo. Ivo ndokufamba vachiyenda vese
na Purpose ini ndokudzokera muroom
make ndikanogara asi ndakagara
kudaro ndaingonamata nechemumoyo
kuti dai zvangokwanisika sekuru
vadzokere neni kumba , asi ndakagara
kudaro ndakazoona Purpose
achipindawo akasvika achigara paka
bed kaayiva ndikamuti "Koo
hauchayendi kumunda kwacho here"
zvikanzi "ndirikuyenda hangu asi apa
ndirikumirira sekuru kah tinzwe kuti
vachati chii" akadaro ndikamuti "dai
vangodzokera neni kumba havo"
zvikanzi naiye "yeah shuwa because
zvinhu zvacho ma one asi ukadzokera
uzotarisira kusekwa nevamwe vako
muno muraini kana kuchikoro because
inyaya yatenderera unongozivawo
zvinhu zvacho" akandidaro ndikaona
zveshuwa kuti picture yacho yaisapa
chimiro chakanaka "asi vanhu
vakataura vanosvika pavachaneta
vozonyarara havo ende kana ndakura
ndava kuroorwa handizoroorwe muno
mumusha zvinenge zvisingatobude"
ndakamudaro zvikanzi
"zvichikonzerwawo nevanhu vekumba
kwenyu Orna same nevepano
ndirikushaiwa kuti kwavo kuda kuti
ndive nemukadzi here kana kuti kuda
kundikaurisa" . Akadaro ndikamuti "asi
vachikukaurisirei nhaiwe?" zvikanzi
"hameno sha saka tingati chii manje dai
kusiri kundikaurisa bamukuru
vaifanirwa kuyenda neni kubasa kana
zviri izvo iwewe wonzi usare kuno ini
ndichinoshanda saka chavazorambira
chii kuti ndiyende kungoti ndizvozvo
pamwe vaitozonondi shandisira
mahara futi" akadaro achitaura zvisne
kushaiwa hanya uye achisimuka nekuti
ayisheedzwa na Edmore panze zvekuti
akasvika pakubuda ndisina kumudaira
ndaitopererwa nemhinduro especially
pekunzi ayizonoshandiswa mahara
asingabhadharwi pakandisiya ndione
minvunzo yakawanda.

Paakabuda akanoti nya aripo panze


iniwo kainge katova ka habit kekugara
ndichingodongorera pa window
ndichiona zvepanze seipapo
ndakasimuka ndokudongorera
ndikaona vanhu vakuru vachibuda
mumba vachibuda na sekuru baba
Spencer vaiva VaChirasha na Baba
Philip kusanganisira iye Purpose uyo
akazouya achindidana mumba.
Ndakabuda naye ndikawana sekuru
baba Spencer vakamira nechekunze
kwe vharanda ndokufamba
ndichiswedera pavaiva ndikati "sekuru"
ndakavadana ndakavatarisa kumeso
zvikanzi "ndabvunza mukomana uyu
arikuti haana zvaakakuita ichokwadi
here haana paakakubata?" iye Purpose
akabva akurumidza kudaira ariiye akati
"ndinorevesa sekuru handina
kumbobvira ndamugumha ini Orna uyu"
akataura kudaro akabatanidza maoko
zveku bagger uye achiratidza face
inosiririsa "ichokwadi here Ornament?"
Vakadaro sekuru ndikavati "chokwadi
sekuru haana kumbondibata ini
ndirikuda kudzoka kumba handisati
ndavakuda kuita Mai" ndakadaro ndave
kutopfikura zvekare kuchema vakati "ok
ndakunzwa muzukuru ndokusaka
ndauya pano ndatosvika nhasi
handisati ndatombozorora zvino
zvandaita ndezvekuti ini ndichiuya kuno
gogo vako vayenda kuma shops uko
ndavati vambonobvunza vezvishop
zvine ma butcher kana kuti vaende
kunoona vaye vanobika sadza pama
shops ipapo, ndavakutotengesa mbudzi
yekukamhina iye kana yatengwa
ndowana Mari yekukwira kuti ndiyende
ku Uzumba police station nekuti izvozvi
handina kana Mari yebhazi kutofamba
netsoka ikoku chimudhudhudhu changu
hachina kana peturu ende ndikasiya
zvinhu zvine chimiro chakadai Mai vako
gore ravanouya handifunge kuti
vanondiregerera vese zvavo na Moment
and beside that iwe uchiri mwanana
ndoona kuti une zvakawanda zvine
pundutso zvekuzoita muupenyu
zvakasiyana nezveimba yaurikunzi
utange iyi. Uye imi ivai nechokwadi
chekuti hamuna chamakaita nekuti
ndichisvika kumapurisa
ndichangoonawo kuti zvinenge
zvakamira sei pamwe vanouya neni
kuno kana kuti kunonzi imimi ndimi
muuye asi Mari yekufamba kwese
Ikoko ichatobva pakutengeswa
kwembudzi asi kana muchinge
mazoona mapurisa musatye kana
kuvhunduka mutaure nyaya yenyu
sezvairi ndizvo kah?" Vakatidaro ini
ndikagutsurira musoro zvikanzi na
Purpose "Koo zvirikutaurwa nevanhu
kunzi nyaya inondisungirira nekuda
kwekuti ndaitambira mudhuze memu
under age hazvizonetsi here sekuru?"
Akavabvunza kudaro achiratidza kutya
zvikanzi naivo sekuru "mapurisa
vanongova vanhu vanenge iwewe
Purpose ende mapurisa vanhu
vakadzidza vane chikoro uye vano
reasoner chinongodiwa kuva
nechokwadi panyaya yauchavaudza.
Zvandirikuita izvi ndirikuitira uyu
kunyanya because mwana mudiki
haana chaangaziva nezveimba apa
zvinonetsa kuti ndingomutora nekuda
kwekuti ane hama dzake uye pano
vakamugamuchira ndikangomubvisa
pano zvisina gwara zvichida mangwana
anowanikwa ashata ndozodii izvo Imi
munenge muchiti hamuna zvamakaita
Saka regai ndiite zvinhu negwara
zvekuti hamuna zvamakaita
zvinonoonekwa chero kuchipatara
vanonomuvheneka uyu zvanakira kuti
ku police station kwacho ndiko zvekare
Kune clinic Saka apa ndava kunoona
vanhu vekwa Zhou nditange
ndanonzwanana navo first kuitira
ndiwane kuzonopa umbowo hwakazara
kumapurisa uko" .Vakadairwa naiye
Purpose sezvo ndivo vairatidza
kunyatso kunzwisisana zvakanaka Inini
ma process nenhoroondo idzodzo
ndaisazvida chandaida kudzokera
kumba, sekuru vakatiwoneka
ndokufamba vachiyenda kumota kwa
baba Philip avo vainge vakamira na
baba vavo kuda vaiwonekana zvadaro
naivowo sekuru baba Spencer
vakawoneka ndokubuda pa Chirasha
vachiyenda kwa Zhou sekutaura kwavo.
Vachibuda ini na Purpose
takadungamidzana tichidzokera
kunopinda muroom matakanosvika
tichigara paka bed ndikamuti
"zvaurikuramba uchidzoka muno hausi
kunonoka here kunotakura chibage
chacho manje?" Zvikanzi
"ndirikutofunga kuti ndimhanye kuma
shops kana kuti ndiyende kuchikoro
kwenyu ndonosvika kwese neku
primary panogona kuwana ma teacher
anoda kubatanidza Mari vachiitenga
mbudzi iyoyo kuti vawane usavi....
Zvechibage ndinozozviona izvi"
akadaro achitosimuka ndikamuti
"hapasiripo paunozonzi hauteerere here
zvairehwa nezuro Purpose dai
wangoenda hako kunotakura chibage
wozoona zvekubatsirana na sekuru
wadzoka" ndakamudaro asi tiripakati
pekukurukura takanzwa mota ya baba
Philip ichimutswa zvikanzi naiye
"vavakuyenda mudhara ava"
ndakambonyarara akazosimudzira
kutaura ariiye achiti "usaite
seusingazive zvekumunda Ornament
obvious ndikayenda handidzoke izvezvi
funga patichano loader ngoro Ukaona
yozara nekuzopinda munzira kudzoka
nguva inenge yatofamba zvayo pamwe
anenge atova manheru" ipapo handina
kuzomudaira nekuti ayinge avhura door
achibuda ini ndichisara.
Pandakazonzwa mbuya Chirasha
vachiti kuna Prog "zvaatova masikati
wani pasina chagadzwa pamoto kasi
nhasi masikati hatidyi here" ini nekuziva
kuti ndini ndaiva mweni
ndakangosimuka ndokubuda
ndichinanga pavaiva "pamusoroi mbuya
tobikei ndibike hangu" ndakadaro
ndichityora muzura kuna Ivo Mai
Chirasha zvikanzi "handiti wambobva
kusuka mandiro here nhai muzukuru
dai wachizorora vamwe vaitewo
anobika Prog uyu" ndakarambisisa
kusvika vatuma Prog wacho kunotora
rice rinova ndiro randakazogadza
pamoto ,ndakabika zvandakapihwa
zvacho time dzandakabuda panze
ndichida kunorasa marara ezvinhu
zvakaita semadomasi nema onions
zvandainge ndabva kucheka kuti
ndibike mazai ayida kudyiswa rice
racho ndakaona VaChirasha
nemudzimai wavo vagara vese pamvuri
muberere memba nguva dzandainge
ndave kudzoka kubva kugomba
remarara ndakanzwa ivo Mai Chirasha
vachiti "anoshanda mwana uyu
anotooneka kuti haasi simbe kana tsika
chaidzo unozongoona kuti mwana
mudiki hake dzimwe dzenguva
ayirasika mashoko nekuda kwehwu
mwanana asi anoratidza kuva munhu
kwaye kwete sviya svekwa Mai
Madzinga svaayiteverana nasvo iye
Purpose haiwaa" vakadaro vakanzi
nemurume wavo "chii chingayemurika
pasvava yakadai munoti izvezvi ruzhinji
rwurikufara here munharaunda ,plus
sekuru vake handiti mavanzwa vachiti
varikuyenda kumapurisa anofanirwa
kudzokera kuchikoro?" vakadaro
vakadairwa vachinzi "hongu kana
zvabudirira hapana chakaipa
vanomutora havo asi isu sadza hatina
kumunyina chero akabva pano anenge
abva zvakanaka pasina kuudzana
mafakofu fakofu asi zvino tingagodii
zvichida vakatosangana na Purpose
ukaona vanhu voti tauya kunosiya
mwana vanenge vaona mufambiro
usiriwo isu takangowanana tirivanana
wani asi nanhasi tigere hameno
tichangoona zvichaitika zvacho ,Ivo
baba Philip ndivo vazotadza pakuramba
kumutakura Purpose kubasa zvimwe
dai vayenda naye zvaizoitawo nani
mwana uyu taingosara naye
tichimuchengeta" vakadaro ndikaona
kuti vainge vangondi gamuchira havo
asi vasingazive vanhu vekumba kwedu
zvakanakisisa uye ndakaona kuti
naivowo vaiva nepfungwa yekuti
ndakatorarwa na Purpose izvo kwete,
panguva yavaitaura Izvi ini ndaibva
nekuseri kwemba yemumvuri wavainge
vakagarira ndokupfuurira ndichinopinda
mukitchen uye kuyenderera mberi
nekubika.
Ndakati ndapedza kubika ndokuudza
Prog asi akandiitira ma attitude
ekuramba kutumwa neni ndichibva
ndananga ndega kunoudza varidzi
vazvo vakanditi "kungoti hausati
wajaira zvepano unofanirwa kutogona
kupakura zvese nekuziva hwuwandu
hwevanhu vari pano" vakandidaro
vachisimuka tikafamba
takadungamidzana ini ndiri mumashure
mavo tichinanga ku kitchen. Ndivo
vakazopakura tikadya uye tese
takanodyira panze asi Ivo vainge
vakagara pamumvuri wavo vega
nemurume wavo Iniwo nana Prog na
Edmore takagara pedu asi vaingotaura
nyaya dzavo vari vaviri dzisinei neni
tapedza ndini zvekare ndakasuka ma
plates Prog akatsvairawo mu kitchen
Edmore handina kuziva kwaakayenda
asi Mai Chirasha pavakasimuka kubva
pavainge vakagara vakati "hezvoo Koo
mombe idzo dzichiri mudanga nanhasi
nhaimi koo vakomana ava vazodiiko
nekunotakura mabagwe kumunda
nhaimi?" Hapana akavadaira
zvinobatika vakabva vati "nhaiwe
ayenda kupiko Purpose?"
vakandibvunza zvikandiremera
kuvaudza kwaayinge ayenda chaiko
zvinova zvakaita kuti ndingovati "abuda
asi handisi kuziva kwaayenda"
vakatanga kupopota vachiti "kudya
ndiko kwaanoda asi ukamutuma basa
haadi kuita anosiya zvaanenge atumwa
oyita zvake ega ,handidi kuona akabata
ndiro yechikafu changu nhasi kusvika
anosenga chibage sezvandataura"
vakapopota vachitaura zvakawanda
wanda zvinova zvaitowedzera kutya
kwangu ndiine pfungwa yekuti zvimwe
ndaizotadza kupagara zvakanaka.
Nguva dzakafamba iye Purpose asati
adzoka ini ndisingazuvewo kuti sekuru
vainge vazofamba sei Edmore ndiye
akazotumwa kunzi aperekedze mombe
kumafuro dzaingova mbiri idzo dzainge
dzangosiirwa kusungirirwa pangoro
,akazodzoka zuva rave kutorereka iye
Purpose asi Mbuya vake
vachingomuona vakatanga
kusimudzana naye iye paakati "ndine
zvimwe zvinhu zvandanga
ndichimhanyidzana nazvo mbuya
chibage ndichanosenga mangwana"
akanzi "zvei zvakakosha kudarika
chibage chinoita kuti uwane sadza
pano pamba izvezvi pamwe chanzwa
nekumunyiwa nemuchenje chiri pasi
pachiri hauna chaunodya pano handidi
kukuona wakabata ndiro yechikafu
changu kusvika wanosenga mabagwe
iwayo hausi baba vepano iwe zvekuti
ungada kuita zvaunoda nenguva
yaunoda" zvese Izvi ndaizvinzwa ndiri
muroom make sezvo ndimo
mandaingozvipfekera kana ndapedza
zvandinenge ndichiita panze. Iye
akazopinda mandaiva achingopinda
ndakatanga nekumuti "asi
ndambokuudza wani Purpose kuti enda
unosenga chibage chawaudzwa hona
manje saka uchadii apa obvious
waswera nenzara kah?" Ndakadaro
zvikanzi "haah hazvina basa izvo siyana
navo inini ndini ndirikuziva kuti
zvandanga ndafambira zvakakosha
kusvika papi mbudzi yatengwa but
yatozosara ichibhadharwa hayo sekuru
vanga vatotakurwa nemapurisa?"
Ndakashaiwa kuti ayitaura nyaya yei
ndikamuti "sekuru baba Spencer here"
zvikanzi "ehe sha ma one vasungwa
vese na baba Dorothy vacho time
dzabva sekuru pano nguva dziye
vachiyenda kumba kwenyu vanotadza
kunzwisisana zvakanaka bamunini
vako kwanzi vasimudza chidhinha
ndingangoti varwa nasekuru vese
vakuwadzana nyaya ikatoyenda Kwa
sabhuku saka vatakurwa nemapurisa
emuraini vatoyenda ku Uzumba police
station chaiko" ndichinzwa izvozvo
ndakanzwa sekunge ndaisvetwa
mweya uchibuda mandiri ndikati "Saka
vachaita sei sekuru nhaiwe vanobuda
here?" zvikanzi "ehe vanobuda
kunongodiwa Mari ye fine better
mbudzi yatengwa gogo ndatobva
kunovaperekedza vakwira chimwe
chimota ndovimba pavari vave
kutosvika" . Kwaikwirirwa
nekwaiwanikwa zvimota kwaiva kure
kubva kumba uye paisava nyore kuti
munhukadzi apafambe ega sezvo
pakati paiva nechisango uye ndiyo nzira
yedu yataibva nayo kuchikoro isu
wacho tichibva kuchikoro taitofamba
tiri chi group , nyaya yandainge
ndaudzwa na Purpose haina kundibata
zvakanaka yakandisiya ndave
kutorwara kana panze handina
kuzombobuda ndakango
kungurukirawo pachimubhedha chake
ndikatanga kuchema "chirega kuchema
Orna vanodzoka sekuru sha"
akandidaro asi handina kuzviteerera
achibva anditi "Orna kutaura chokwadi
ndirikunzwa mhosva mandiri zvese Izvi
zvirikuitika nekuda kwangu kwete
kwako nekuti ndini ndaikutsvaga iwe
hauna pawakambonditsvaga asi
pandaikutsvaga ndaisakutsvagira
chinangwa chekuti unzi uzove mukadzi
wangu ndofunga nyaya dzandaitaura
newe pandaikuona pacho unodziziva
Sha but sorry hako" akadaro asi
ndakaramba ndichingopfikura kuchema
ndichifunga kusungwa kwasekuru baba
Spencer . Tirimo mumba takazonzwa
iye ave kusheedzwa na sekuru vake
VaChirasha akangobuda ndakanzwa
vachitaurira pasi zvandaisanzwa asi
vayiita vachikwidza izwi ravo mbichani
mbichani kusvika pavakazotaura
zvabdakanzwa vachiti "hapana
chaunombotaura apa zvezvi better
utogadzirira tipinde newe munzira
wotonoreva kumapurisa uchivaudza
kuti unechekuita nemwana watinaye
pano izvozvi kurikunzi varambirwa
Mari yavo ye fine zvichikonzerwa newe
iwe Purpose. Munhu haangasiye mhuri
yake igorara yakasuruwara nekuda
kwako wakoshei Iwee izvozvi pano
pamba chaipo wanetsa nekusateerera
zvawatumwa hauyiti apa nyaya
ndotoita yekufonerwa ndichiudzwa pa
phone asi wanga uriko kunze uko
chakukonesa kusvika pano pamba
uchitizivisa kuti ndizvo zvaitika chii
itogadzirira nekukasika tibude, izvozvi
tave kutobuda dzimwe Mari dzema
transport zvatanga tisina kuronga
nekuda kwako iwe urichituta zungairwa
chairo ibva pano" vakamudaro sekuru
vake after some minutes akazopinda
mandaiva achitora zvekugezesa
nehembe dzekuchinja asi ayitooneka
kuti anga achichema. Handina
kukwanisa kutaura naye chero
paakazodzoka apedza kugeza achinja
akangosvika achikanda hembe dzake
paayiisa dzakasviba ndokutobuda asina
chaataura neni vakayenda vese nababa
namai Chirasha vaisava nemota asi
sevanhu vaivawo nezvimari zvavo
vakauya vachitorera pa gate chaipo
nechimwe chimota chemuraini
chaisenga vanhu zvairatidza kuti vainge
vafonera driver wacho. Isu takasara
hedu asi Prog ndiye akabika chikafu
chemanheru nekuti handina
kuzombobuda mumba stress
dzandaiva nadzo dzakaita kuti ndisare
ndava kuita sendairwara nekuti
ndaifunga kuti zvimwe Purpose ndiye
achanosarawo kumapurisa nekuda
kwekuti ndaivamu underage.

Chero iye Prog paakauya


achindisheedza kuti ndidye handina
kubuda ndakangomuudza kuti
ndakaguta, simba rekugeza
ndakarishaiwa
ndikasvika pakubatwa nehope vanhu
vasati vauya apa hwainge hwatova
usiku ndakazopatika ndanzwa ma
voices evanhu ndikamuka nekukasika
kwave kutoona panze paine mota
yakavhenekaema lights
ndakadongorera nepa window ndikaona
iri mota yainge yaendwa nayo
ndakafara kuona sekuru baba Spencer
vese naiye Purpose aripo kusanganisira
na baba namai Chirasha. Mota
yakadzokera Ivo vakafamba vachiuya
kumba ndokunanga kuimba hombe asi
Purpose akananga mandaiva akasvika
achiti "tadzoka" ndikamuti "hoo Saka
kwanzii ndavakudzokera kumba here
na sekuru" zvikanzi "hapana apa Orna
zvatozodhakwa zvamuchose
ndatozongotaura zvandanzi nditaure
kunzi ndakakukanganisa saka vana
sekuru vatovimbisa kumapurisa kuti
vakakugamuchira uye vachandibatsira
kukuchengeta sorry hako Sha apa
kwanga kurikuda kuti sekuru baba
Spencer vawane kubuda mapurisa acho
hameno zvatanga achingoitawo zvisina
basa soo" akadaro ndikamuti "iyii inga
zvakaoma koo bamunini vadii" zvikanzi
"vasara varokutorarako because
havana mari ye fine" . Ma meetings
acho pamba ayisapera tiri pakati
pehurukuro yedu takazodanwa tese
tikayenda kwandakanowana sekuru
baba Spencer vaine bandage musoro
asi vaitaura nyaya kuratidza
vaisarwadziwa zvakanyanya
ndakakwazisa vanhu tikaudzwa
zvaivapo sekuudzwa kwandainge
ndaitwa neumwe wangu ivo sekuru
baba Spencer vakati "ndiwo mufambiro
waita nyaya muzukuru asi tichikusiya
kudai handisi kukurasirira pakaita
chanetsa rega kunyarara nzira yekumba
unoiziva" vakabva vadairirwa na
VaChirasha vakati "haafanirwi
kusurukirwa zvakanyanyisa nekuti
mamusiya pamba asi nedzimwe
dzenguva izvozvi manje kwamatozo
svitsana nevanhu vekwa Zhou
hakusiriko VaMuguri nekuti zvinokoka
munyama pamwana kunyamwe mhepo
chaidzo dzinogona kututirana paari
hongu manga murikurwadziwa
nekuroodzwa kwemwana nesuwo
tirikurwadziwa nemaitiro emukomana
uyu uye mafambiro waakaita nekuti
mwana watinenge tichigara tichitsiura
tichizama kuumbiridza asi nhasi
tiripano nekuda kwake kuri kusateerera
asi isu sevanhu vakuru tikagona kugara
pasi uye totaurirana tichinzwisisana
dzimwe nyaya dzinogadzirisika
pachezvedu zvisinei nemapurisa, Saka
ndinovimbisa kuti muzukuru wenyu uyu
mamusiya mumaoko edu uye tichizama
kumuchengetawo sekuvimbisa
kwataita kumapurisa uye tichava navo
kusvika vazorumukawo kubva patiri
vavekugona kuzvichengeta nekuti
hatidi kuti mangwana tizogara matare
kana kusvitsana zvekare kumapurisa
kuchinzi Purpose azonzi asungirwa
kushungurudza mwana kwete izvozvo
tichagara takavhurira meso edu pazviri".
Vakayenderera mberi nehurukuro dzavo
kusvika sekuru vatenderana navo
ndokubuda vachiyenda isu tichisara ,
pakunorara Purpose akanorara zvekare
nemukomana wemombe kuseni
akazonosenga chibage. Takapedza
mazuva news dzekuti baba Dorothy
vachiri kumapurisa vachishairwa Mari
ye fine ndaingodzinzwa na Purpose
vakakugara dzinokwana kuita two
weeks nezvimazuva tikazonzwa kuti
kwakatengeswa mombe kumba kuti
pawanikwe Mari yekunovabudisa .
Purpose akaudzwa na VaChirasha
nezvebasa rainge ramuka
munharaunda medu maiva nevezvi
greder vaigadzira neku greder road
akatanga kuyendawo Ikoko asi
ayizodzoka Kuma 4dzemasikati asi
pese paayidzoka dzimwe nguva
vainetsana nambuya vake achiramba
kuitiswa mamwe mabasa ayirema
achiti anenge qneta nebasa kwaanenge
abva, Iniwo ndainge ndavekutojaira
zveupenyu hwepamba pa Chirasha
pamazuva iwayo handina musi
wandakambobuda kunze kwe gate
kana pane chaidiwa kuma shops
kwaitumwa Prog kana Edmore zvinova
zvaindibatsirawo kuti mashoko evanhu
muraini ayite mashoma kwandiri uye
vanhu vepo vainge voziva kuti Purpose
anorara nemukomana wemombe asi
maweekends kazhinji kacho masikati
paanenge aripo ayimbouya muroom
make Inova yandakayenderera mberi
ndichishandisa ayiuya achitaura neni
nyaya nekutombogara asi haana
paayitaura zverudo neni or kundidana
kuti babe even kundidana zvine
chekuita nemukadzi nemurume. Apa
zvikoro zvainge zvazovhurwa vana Prog
vachiyenda asi ini na Prog dzimwe
nguva tainetsana pamba zvaizivikanwa
nemunhu wese tichimbotsiurwa. Nguva
zhinji Purpose ayindisiira phone yake
achiti ndizoswera ndichivaraidzwa
nema vedios sezvo zvaindiremera
kunogarira tv yepo iyo yekuti masikati
yaiswera yakadzimwa paidzoka vana
Prog ndivo vaizoyibatidza saka ini
panguva dzandaiva pamba zvairema
kunoibatidza zvino mumwe musi
ndakati ndasara ne Phone ya Purpose
makapinda massage yainge yakanzi
"kana une time ndokumbirawo
tizoonana titaurirane zvirikundirwadza
kuti wakazobvuma kuroora mumwe
munhu asiri inini tine mukana
wekudzokerana nekuti Prog akandiudza
kuti hamurare mese I'm sure ndini
ndega ndaigona kuita newe" yaiva
massage kubva kuna Tildah contact
yake yainge yakato sevhwa nezita rake
chairo. Iniwo massage iyoyo haina
kundibata zvakanaka munhu
wandakakwanisa kutanga kuzobvunza
ndi Prog panguva yaakadzoka kubva
kuchikoro ndakatanga ndamuti "Prog
zvaunoita zvekuudza Tildah nezvangu
na Purpose handizvide" zvikanzi "zvei"
ndikamuti "waimuudza kuti hatirare
tese kuti zvidii plus unenge uchitaura
nezvedu munenge mashaiwa nyaya
here" zvikanzi "Koo ndinenge
ndichitaura zvekunyepa here plus
iwewe unofanirwa kuziva kuti Tildah
ndiye ayiva muridzi wemuface sekuru
vako ndivo vakaudza Purpose zvakaita
kuti asiye Tildah vachiziva kuti varikuda
kuti iwewe uwuye pano vakarwadziwa
kuti vakazotangirwa kukuunza pano
that's why vaida kunyepera kuita hasha
dzenhema chii chaivhundutsa
vakawanda wani muno muraini
vakaroorwa vachisiyira chikoro panzira
vamwe vadiki futi kwauri , apa
wavakutotsvukirirawo nekugeza mvura
yemu tap kwete yekurwizi yawanga
wajaira" sekuru vairehwa ndi baba
Spencer pavainzi vakataura na Purpose
vachimutsiura asi kutaura Kwa Prog
kwakandiratidza kwega kuti ayitova
mashoko akataurika somewhere vanhu
vachiyamonyorora sekutaura
kwaakazviita ndakafungidzira vanhu
vekwedu Kwa Zhou ndikaona kuti
kunana Prog zvinogona kunge
zvakasvika nana Gilbert. Ndakaramba
ndakanyarara handina kuzomupindura
zvikanzi "chokwadi chagara
chinorwadza by the way kuchikoro
kurikunakidza kwanzi hesi na sir ve
Geography" akadaro achiisa ruoko
rwake kumeso kwangu
zvekundisvotesa iniwo nehasha
ndakakundikana kuzvidzora ndichibva
ndamurova mbama paruoko rwacho
akandidzorera tikatanga kutorwa asi
musi iwoyo ndakamukurira akatanga
kuchema zvakamutsa mbuya vake
vanga vakarara panze vakati "Koo chii"
iye kwavekuti "ndarohwa nemukadzi
wasekuru Purpose" mbuya vacho
vakasimuka kubva pavaiva zvikanzi
"mese huyai kuno tione" takafamba
tichiyenda mumba mavaiva asi
vakanotisiya tirimo ivo ndokubuda
panze pavakanodzoka neshamhu
vakati "ndichikuonai mese muri
vazukuru vangu ndoda umwe neumwe
azive chinzvimbo chake ndaneta nemi
nezvinyaya zvenyu ende ndaneta
nekukutsiurai nemuromo" takarohwa
tese vapedza nesu ini ndakanochemera
muroom mandaishandisa ndirimo
ndichichema Purpose akabva asvika
achibva kubasa ndakamunzwa kutaura
panze asi ayifamba achiuya mandaiva.
Paakandisvikira ndichichema
akabvunza ndikamuudza nyaya
sezvazviri uye kumuratidza massage
yaiva mu phone make iye haana
zvaakataura neni asi kuti
akangosimuka achiyenda Kuna mbuya
vake ndakazonzwa vave
kupopotedzana . Iye achiudza mbuya
vake kuti havana right yekurova Inini
uye achivati vaifanorwa kurova Prog
chete because ndiye anga achiri kuda
kuita nezva Tildah, iniwo
ndakazvibatanidza ndikaona kuti Tildah
anga avakuda kudzokera kuna Purpose
nekuti anga ava kuyenda kubasa asi
mwedzi wainge usati wambopera
zvekuti akwanise kupihwa pay "ayewa
Orna hazviite kuti mumurove ari right
pakubvunza Prog kwaayita maifanirwa
kurova Prog because ndiye ari wrong
arikunoudzirei Tildah information
yepano ndichiri kudanana na Tildah
here ini plus zva sekuru baba Spencer
zvaataura akazvinzwa kupi munofunga
kuti zvikasvika munzeve dzavo
vanozvigamuchira sei tsiurai Prog
wenyu iyeye" akadaro Purpose akanzi
nambuya vake "watokura zvekundiudza
murangiro wandingaita vana here iwe
kana uchizviona sewakura
chizvichengeta kah tizive kuti
wavakugona kuzviisira sadza patafura"
vakachinjana mashoko akawandisa
pamwe pacho pandakaona kuti zvainge
zvisinei nekurwa kwangu na Prog
kusvika Ivo Mai Chirasha vave
kutofonera vana vavo. Musi wacho Mai
vemusha ndivo vakatanga kumira mira
vachibika chikafu chemanheru zvekuti
ndakashaiswa mukana wekuvabatsira
nguva dzakadzoka VaChirasha kubva
kwandaisaziva vakasvika ndokuudzwa
nyaya yainge yaitika asi zvaiwandira
Kuna Purpose pakurehwa kwazvo
mbuya vake vachiita sevaimuroverera
Ivo samusha vakati "chitangai
matipakurira chikafu tozotaura nekuti
nyaya dza Purpose dzinonetsa"
vakadaro chikafu chikapakurwa asi iye
muridzi wenyaya ayisavapo hameno
kwaayinge ambobuda achiyenda.
Akazosvika vanhu vachangopedza
kudya ini ndichitosimudza mandiro
ndikasiya ave kutongeswa ini
ndokuyenda kuroom yake
kwaakazonditevera pave paye akasvika
achiti "rongedza zvinhu zvako sha
nedzangu hembe tora dzese tibve pano
ndaneta nemashoko ini" akadaro
ndikavhunduka ndikamuti "toyenda kupi
nhaiwe" zvikanzi "hapana kudzingwa
kunodarika kwandirikuitwa pano pamba
sha izvezvi vana bamukuru nana
bamunini varikungoudzwa kunzi
handiteereri uye ndinozvitonga
ndazvitonga papi vakakugamuchira
pano vachiti ndinzi ndava nemukadzi ok
ndakazvigamuchira but now
ndirikuzama kukiya kiya semunhu
arikuziva kuti ndava nemunhu pamba
ndivo futi vakandiraira uye kundibatsira
kuti ndizvigamuchire kuti ndakura asi
right now vanotarisira kuti ndikabva
kubasa ndisvike ndiite ma duties
andayisiita ndisati ndava kushanda
ndinoriwanepi simba racho rekushanda
kubasa zvese nepano pamba. Ndaneta
nekuudzirwa kunzi tinokuchengeta , hee
usabate ndiro yechikafu usati waita
chakati chawatumwa, heee kana
uchizviona sewakura zvichengete ubve
pano vese vanofonerwa havana
musikanzwa kana kusateerera kwangu
kwavanoziva or kwavakaona asi
kwavari ndirimuipi nekuda
kwemashoko avanonzwa nevarikuno
vobva vazvi believer manje ndavaudza
pa phone pacho vafonerwa
ndikavaudza kuti ndaneta kana
zvakadaro ndirikubva saka vatonditi
kana wakura ibva chero izvezvi Soo
rongedza zvinhu tonopinda mudzimba
dzevabereki vangu" ndakakurumidza
kumuti "nhaiwe hadzizotidonhere here"
zveshuwa dzainge dzoratidza kuparara
zvikanzi "hadzingambodonhe nhasi
nekuti tapindamo pese apa
dzakangomira wani zvizhinji
ndozogadzirisa tavepo because hapana
kwatinosvika tichigara tichitukwa pano
pamba Inini neuku iwewe neuku
muchirwisana na Prog handina hangu
side neniwo kusamurova Prog wacho
nekuzeza kuzogarirwa pasi otherwise
ndomuziva kakawandisa
kaanondijairira asi havamutsiure"
achitaura kudaro mbuya vake vakabva
vabuda panze vachipopota sepavakati
"Prog mwana akakurira pano
ndewepano ndini ndinoziva chaanodya
nechaanopfeka saka kana iye
ndichimurova chii chinoshamisira kunzi
ndarova neakabva kunze" ndakanzwa
Kutaura kwemurume wavo zvichida
ayivatsiura asi zvavakataura handina
kuzvinzwa ndikanzwa Ivo Mai Chirasha
vachiti "ayewa ngavayende ndaneta
naye Purpose ini ngaayende musha
wababa vake wakamira uko
ngavatakurane vayende
havachengeteki vese zvavo
kakawandisa ndichimuudza mukadzi
wake kuti kuwanikwa kwaakaita
kwatova kukura rega kuramba wongo
karamatana nana Prog better vayende
nekuti tingatonzwa nemashoko plus
mutauro usingaperi pano pamba" ipapo
pakandirwadzawo. Kuti neniwo
ndaitodzingwawo "hant urikuzvinzwa?"
Akandidaro Purpose ndikamuti "ehe
zvakaoma" zvikanzi "ndizvo zvavari
vanhu ivava kana vaneta neni neniwo
ndaneta navo kundichengeta
kwavakaita ndafirwa nevabereki
ndaifunga kuti rwavo irudo sezvo
variivo family yangu asi kundichengeta
kwacho kwave kuita sekunge
ndakavakwereta" hatina zvizhinji
zvatairongedza dzaingova hembe asi
tabuda Mai Chirasha vakamuti "machira
angu usiye wandigumbura Purpose
mupinduriro wawandiita wazviratidza
kuti handisi chinhu kwauri" sezvineiwo
ndiye anga akayatakura kwave
kuyadzosera takasvika pakubuda
paruvanze mbuya vake vachingopopota.
Takabva pamba usiku ihwowo
tichiyenda pamusha wevabereki vake
waiva kunze kwe yard yepa Chirasha
asi vakazovaka kumashure kwavo
ndivo vakavakira muyard yevabereki
"ndikatambira tinoita plan
yekupagadzirisa pano pamba sha"
akadaro achivheneka vheneka payard
pacho sepanhu paisagarwa painge
pakangosakara sakara asi handina
kumudaira iye ave kutovhura door apa
ndaizama kudzora misodzi yanga
yakajenga mumaziso mangu uye
ndichinzwa kubumbirwa pahuro.

*Stay tuned.......*
https://chat.whatsapp.com/KMwD125
G5ieLEm5LyZZawe

https://facebook.com/groups/1018956
279079680/

Pressȱ this link to join our Facebook


page.

*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY

AUTHORESS
PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*


*Chapter 17*

Akarivhura door Purpose ini


ndokutanga ndamedza mate
zvekuzama kupfafisa pahuro
pandainzwa sekunge paomerwa
zvichikonzerwa nekuchema kwandaida
kuita "kasi ranga risina kukiiwa?"
Ndakamubvunza kudaro zvikanzi "yah
pandakapedzisira kuuya kuno
ndakakanganwa kukiya plus
ndaingoverengera kuuya ndichirikiya"
akadaro achipinda mukati Inini
ndokupindawo ndichimutevera
ndikamubvunza zvekare kuti "kasi
waimbouya uchimutsvaira?".
Ndakamubvunza kudaro ndichitarisa
tarisa mukati nekuda kwekuti
mairatidza kuti maipota
muchimbotsvairwa "yeah because
kakawandisa kandakasikidza kuuya
ndichigara pano but inyaya yekuti
ndaizeza chete nhasi ndipo
pandatozoitawo chivindi maybe ndiwe
watondipa chivindi chacho, but apa
kaapa wotopfeka hako zvinodziya
unogona kutora rimwe zi jacket rangu
ririmo muhembe dzangu umu worara
apa ini ndorarawo apa tozoona zvekuita
kana kwayedza. Akadaro
achindinongedzera pazvima wooden
sofa zvaivamo izvo zvayiva type
yekaresa zvaiva ne comfort pekugarira
then muma arms zviine mapuranga,
ndakatanga kupfeka zvinodziya
sezvandainge ndaudzwa asi ndiripakati
pekupfeka takanzwa Edmore
achisheedzera Ari panze achiti
"mukoma Purpose, mukoma Purpose"
iye akabva avhura door iro raayinge
avhara nemukati "eeh ndeipi" akadaro
Purpose kuna Edmore wacho zvikanzi
"ndatevera nemagumbezi enyu aya
Mbuya na sekuru vati ndiuye nawo" .
Pekuramwa ndepekuona hama dzangu
ipapo situation yedu yakaita kuti iye
Purpose agamuchire akanyarara akati
"ok waita bhoo" vakabva vawonekana
Edmore achidzokera kumba iye achiuya
mukati ndikati "vazochinja moyo kasi?"
zvikanzi "yeah ndoona sekudaro asi
vanofanirwa vari sekuru vatoita kuti
magumbezi iwaya ateverwe nawo
pakaoma sha iwewe wochitowaridzira
pasi apa inini ndini ndorara pasofa"
raingova haro zita rekuti masofa nekuti
ayinge asakara uye achiratidza kuti
aneta kuboorwa boorwa nemakonzo
,takaita sezvatainge tawirirana asi ini
hope dzakanetsa kuti dzibate zvaisava
nyore kwandiri kurara mu same room
naiye Purpose asi ndiri mukushishikana
kudaro ndakatonzwa iye achiridza
ngonono dzekuratidza kuti ayiva kure
chaiko nehope. Ini ndichishupika
kubatwa nehope kudaro
ndakazonyanyisa kufunga ndikasvika
pandakafunga Mai vangu na mukoma
Moment zvekuti ndakapedzisira ndave
kuyeredza misodzi asi ndakazama
nepandaigona napo kusapfikura or
kuchema zvinonzwika ndikasvikawo
hope padzakazondibawo ,kuseni
ndakazomuka mushure mekunge
ndanzwa kugudubudzwa kwayiitwa
mumba ndokuona ari Purpose
ndikamuti "koo hausi kuyenda kubasa
here nhasi?" ndakabvunza kudaro
mushure mekunge ndaona kuti nguva
dzake dzaayisiyenda kubasa
dzatofamba uye zuva rainge rakwira
zvikanzi "handisi kuyenda nhasi
ndatorovha ndoda kuti tigozama kuona
kuti tingazvifambisa sei zvepano
pamba".Iniwo ndakabva ndamuka
kwavekupeta machira angu ndikayaisa
pa sofa taingova nemachira matatu iye
akarara akafuga one iniwo
ndikashandisa maviri ndiri pasi
pandaiva, "zvinoita here ndidzokere
kumba kwenyu kunokumbira Mbuya
badza tizowana kusakura payard"
ndakamubvunza kudaro akatanga
anditarisa akamboita kanguva
akanditarisa zvinova zvakandishaisa
confidence akati ayiva mutema hake
nehutema hwake ayiva munhu ane ma
jokes uye anogara achiseka. Asi
paayiita serious seipapo zvichizoda
nehutema hwake ihwowo
zvaisandibudira zvakanaka "Kasi
hazviite?" Ndakadzokorora
kumubvunza zvikanzi "enda hako
handina shuwa kuti vanokupa here
kana kuti havakupi ndokusaka
ndirikuramba ndakanyarara asi kwete
kuzonosvika uchinonetsana na Prog"
akandidaro ndikati "akasanditanga
handimbomutangewo hangu" zvikanzi
"nhaiwe Orna haunetewo here even
akakutanga iwewe ukanyarara unobvei,
asi sha zvimwe zvinhu kah hazvisi
zvekuda kutsanangururwa hako
situation yatiri unogona kusainzwisisa
maybe but zvimwe urikutozvionawo
nemeso so zamawo kuti tifunge
zvimwe zvinhu zvisinei nekurwa nana
Prog unoona?" Akadaro ndikamuti
"horaiti" ndakadaro ndave kutobuda.

Ndakasvika vanhu vese vatomuka


ndokunanga paiva nambuya na sekuru
ndikanopfugama ndichivakwazisa uye
kuvamutsa vakandidaira ndikazoti
"Mbuya ndadzokawo ndokumbirawo
badza toda kusakura pachivanze"
vakangati "horaiti muzukuru" kudaira
kwavo vaiyita semunhu kwaye asi
pavaizotanga kupopota zvairambika
kuti ndivo. Vakabva vadana Edmore
ndiye akanditambidza badza ini kwave
kutenda ndokutooneka ndakananga
kumusha wedu mutsva uko
kwandakanosvikira Purpose abudisa
zvimapoto nezvima ndiro uye machira
ayiratidza kuti aneta nekuweterwa
nemakonzo ndakamubvunza nezvazvo
zvikanzi "mandiro nemapoto zvaiva
zvamai vangu hama dzavo hadzina
kukwanisa kutakura zvinhu zvavo zvese
I think Mwari vakazviitirawo chinangwa
chekuziva kuti nerimwe zuva
ndichazoda kuzvishandisawo"
ndakaramba ndakamutarisa ndikamuti
"mudziyo yamai haiyere here
zvakunonzi Mai vane ngozi?" zvikanzi
"handizive hangu asi Mai vangu pavari
ndovimba varikuonawo tsaona
yatakatarisana nayo saka ngatiite
zviripo because tinoiwanepi poto kana
ndiro isu tisina kana cent" .
Ndakateerera zvaayinge areva paiva
nezvigubhu zvima 25 litters zvakati
wandei asi zviviri ndizvo zvaikwanisika
kucheresa mvura zvimwe zvainge
zvakarumwa rumwa nemakonzo
ndakasiya ave kutocheka zvimwe
zvacho zvigumbu achiti tizozvishandisa
sema bucket ekugezera nekuwachira
uye achiti ayizoisa mibato ye wire ,zviya
zvandaitya vanhu vemuraini
ndakazviisa padivi kwave kutora
zvigubhu zvaishandisika zvacho
ndikananga kuchibhorani sezvo
kumaraini ekwavo vanhu vaiva pedyo
nechibhorani kwete kurwizi
kwataichera ndiri kwana sekuru baba
Spencer or kwedu Kwa Zhou. Ndatora
zvigubhu zviye ndakananga nazvo
kuchibhorani ndiko kwandakanozvi
sukira ndichikwesha nevhu asi
ndakabudirira kuzvichenesa zvadaro
ndakachereredza mvura yangu kwave
kutakura chimwe ndichiendesa kumba
kwandakanowana zvekare Purpose
asiya zvekugadzira zvima buckets uye
aca busy kugadzirawo mumba,
ndakamusiya achiyenderera mberi
nezvaayiita ini ndavekunotakura
chimwe chigubhu chandainge ndasiya
kuchibhorani. Asi ndiri munzira
ndaitombosangana nevamwe
vemuraini vainditarisa zvekuda kuziva
or kubvunza nezveupenyu
hwandairarama nekwandaiva asi
pakukwazisana kwandayiita navo
ndaiziva madairiro uye pekugumira ,
zvekuti pandakapedza kusenga mvura
yangu ndichisvika kumba Purpose
akatombonditi "hauna kupinda busy
here muroad umu" akandibvunza
kudaro achiseka zvakaita kuti
ndisekewo ndokumudza zvandainge
ndasangana nazvo uye zvaiyitika
muroad macho. Mvura yandainge
ndachera yaiva yekusukisa mandiro
nekuti kuwacha zvimachira zviye
Purpose akanditi ndaizowacha kana
tawana sipo asi ndiro nezvimapoto
zvaivapo ndakasuka zvakadaro pasina
sipo, takabatsirana kuita basa redu asi
ruvanzi takazosiira panzira
kurwusakura nekuti mumwe wangu
akazoronga zvekuti tinosvika kwana
sekuru baba Spencer achiti tinovaona
uye tichivazivisa kuti tainge togara
pedu tega. Takapanana mukana
wekugeza tichishandisa Blair toilet
yaivapo zvese izvi kwainge kwangova
kuita kwekuvavarira uye kuzvishingisa
asi nzara chaiyo yainge yatirova kuipa
kwazvo taisava nehope uye
kufungidzira kuti taizorara tadyei,
tapedza takapinda muroad kuyenda
kwana sekuru asi tichibva pamba
takatevedza hedge yepo pa Chirasha
tikanobudikira murukova asi takazoti
tava murukova ndimo matakatanga
kuona vanhu vazhinji ndidzo dzaiva
nguva dzavo dzavo dzekusukira ndiro
murwizi. Ivowo vanhu vacho
vaingotitarisa uye kutimhoresa
zvinekutipa chinzvimbo chekuva baba
na Mai ndainge ndavekutokwanisa
mwedzi ndapinda mu life ma Purpose
asi kusangana kwandakatanga kuita
nevanhu murwizi kwakaita sekwavhura
ronda remoyo wangu nekuti vazhinji
vaivamo ndivo vandakakura ndichiziva
uye kujairana navo zvainge zvasiyana
nevekumaraini kwana Purpose,
ndichifamba kudaro ndainzwa kuda
kuchema kusvika iye Purpose anditi
"dai wazama kuzvigamuchira Orna
nekuti nguva yekuti vanhu uvape
mukana wekuziva kuti iwe neni hapana
zvatakaita kah nguva iyoyo
yakatodarika vanhu vese vachitiona
kudai vanongoziva kuti iwe neni tiri
mukadzi nemurume i think dai
wazamawo kuti pfungwa dzako
dzibatsirane nedzangu todziisa pamwe
chete tichitoronga zvatingazoita
neupenyu because kugara tega
kwatavakuita pavakutoda kuti tigone
kuzvimiririra, manje ukati ukangonzi
mukadzi wa Purpose iwe wotoda
kuchema hapana zvaunenge uchiita
hausiriwe watanga kuita imba ende
vacho varikukumhoresa hauzive
mutangiro wavakaita dzavo dzimba
nekuti dzimwe dzenguva
uchazvikuwadza nekufunga iwe
kufunga kwako unoti uchadzokera
kumba kwenyu here or uchabva kwedu
Kwa Chirasha uchiyendepi
hapatomborina way out apa..." Akadaro
kwave kundipa ma example evamwe
vezera rangu or vadiki kwandiri vainge
vave kutonzi vana Mai nhingi kusvika
andipa example yamai Charma vaye
vekuzondinunura nekupa bamunini
baba Dorothy information Musi
wandakarwa na Tildah ndichibva
murwizi , iye Purpose akatanga
kundionesa nezvavo uye nemurume
wavo. Mai Charma vainge vakamitiswa
vari form two vaigara havo pamba
pavamwene vavo asi vaibatsirana
nemurume wavo kuita zvekutengesa
nekuti murume wavo ayienda ku
Mozambique asi zvakadaro Ivo
nemwana wavo vaitorarama kaupenyu
kanochivika chero hembe vaivigirwa
dzeku Mozambique nemurume wavo
zvekuti vaitochena kudarika vamwe
vakadzi vechidiki muraini .Mashoko
andakaudzwa na Purpose akaita kuti
ndinzwe zviri nani uye kuti moyo wangu
unzwe sewareruka ndakazama
kudzikamisa pfungwa dzangu ndega
ndikaona kuti chainyanyisa
kundishungurudza yaiva nyaya yekuti
ndakanzi ndiroorwe nemunhu
ayishorwa zvakanyanya muraini achinzi
haana chaayinacho sezvo muraini
mune vakomana vaiverengerwa asi
group rana Purpose nana bhudhi vangu
Moment vaiva type dziya dzinonzi
ukaonekwa wakamira nadzo wonzi
anokupei iye uya, ari sa Purpose worse
nezvinyaya zvake zvekuzonzi
anoshandiswa kumba kwavo ndizvo
zvimwe zvayiita ndinzwe
kushungurudzika. Takanosvika kwana
sekuru tikawana Ivo sekuru varipanze
vachitobvura tsuro pamoto vakatanga
nekuti gamuchira vachiti "tigamuchire
zve nhai baba namai Chirasha" vakatura
zvine majokes mukati zvakaita kuti
nesuwo tisununguke uye tiwanikwe
tichinyemwererawo takakwazisana
navo vachibva vasheedza gogo Mai
Spencer vakati "Mwari anzwa kuchema
kwanga kuri mumoyo mangu ndanga
ndisingangozvitaure hangu ndichitya
kutukwa namai vepano otherwise
Ornament ndiye munhu anogona
kundibikira nyama yetsuro mabikiro
andinoda chaiwo" takabva taseka
zvikanzi naivo gogo "Saka zvenyu zvaita
kitchen unoiziva shamwari ibva
watonogadzika bhodho pamoto uyite
zvekubika sadza zuva ravakutovira kah
haiwa nhasi ndagarika yaita hayo tsuro
iyoyi ikabvuma kubatika" mutauriro
wavo wakaita kuti tiseke zvekare
kusvika taudzwa mabatirwo ayainge
yaitwa kumunda kunova kwavaiti
vainge vabva, "ndanga ndatopedza
hangu ibva wayitakura upedzise
zvaunoita muzaya" vakandidaro sekuru
ini kwave kuyiisa muchi dish ndave
kutofamba kuyenda kitchen zvikanzi na
gogo "ibve wadziisa tea iripadhuze
nemoto wocheka chimodho ufane kupa
mumwe wako iwe unoziva zvaunoita
vatingatotyira ndivava vaChirasha ava
vangatozoti kwasekuru va Orna
kunonyimwa vanhu chikafu" Purpose
wacho akangoseka hake .

Apa ini ndaishaiwa pekubata nemufaro


uye semunhu ayinge aswera nenzara
ndakaita zvinhu zvangu nekukasira
kwave kusiya ndaisa usavi pamoto uye
mvura yesadza padivi ndokuisa tea
nechimodho zvandakatakura
ndichiyendesa ku dining kwainge
kwakagarwa nevanhu zvikanzi na gogo
"ungati Imhere here yatakaziridzirwa
namainini vako musi wasungwa sekuru
vako nhaiwe Orna vaiti kuchemera
hanzvadzi votizve kuchema vachitaura
nezvako vombosiya iwewe vachitaura
zvasisi vavo varimujeri na Moment
ndakatambura fani ndichishaiwa kuti
ndovanyaradza ndichiti chii nekuti
vaidembazve iweee kwete
zvekumbofungidzira kana" ndakabva
ndaseka kubva zvandakaenda kwana
Purpose ndainge ndisina
kuzombodzoka chero mainini vainge
vazodzokera ndisina kuvaona. "Zvamai
Lidia mungazvitevedzera mukazvigona
here Imi ndizvo zvavaingoita kubva
vachiri mudiki vaiti chero vakarohwa
vaichema vachitaura nyaya
dzakawandisa dzese dzinenge
dzichivadya moyo vaidzibatanidza
vodziti bvuuu pakuchema kwavo Ikoko"
vakadaro sekuru tikatanga kuseka ini
na Purpose taitomwa tea achibva ati
"yah ndavakuzviona manje kana iyeyu
ndofunga ndiko kwaakatorera kuchema
asi zvekudemba demba handisati
hangu ndamunzwa asi kungochema
haah anoratidza kuti anofarira kuchema
hake Orna izvezvi dai ndisina kutozama
kumunyaradza nemashoko muroad
umu dai mawona achisvika pano apa
ayine misodzi kubva zvaauya kumba
anga asati ambofambira kuside kuno
kah manje nhasi patauya izvezvi
kusangana nevanhu kwaayita ,
achingonzi Mai Chirasha
kurikumunetsa kugamuchira ende
kurikumuchemedza zvisingaite".
Mutauriro wake wakatoita kuti vanhu
vaseke worse iyewo akagara arimunhu
wema jokes ende akazvitaura in a way
yekunge ndaingochemera zvinhu
zvisina basa vanhu vakazoti vapedza
kusekedzana zvikanzi na sekuru "Saka
kuriseiko kubasa kwatakanzwa kuti
urikubata bata uri nhai chikomana
zvoreva kuti muzukuru wangu ndiye
akauya ne luck rebasa iroro kah?"
Vakadaro sekuru tikangoseka
ndokudairirana kusvika azovaudza
zvainge zvakaitika kumba uye kuti
tainge tavakugara tega vakaratidza
kunetsekana kusvika tavakutorairwa
kunzi tirege kuzochinjana mashoko
nevanhu vakuru, uye kuti tigare hedu
kumba kwedu asi tirambe tichizoyenda
kwana Mbuya Chirasha zvekare kuti
tirambe tichizofambidzana nevanhu
vakuru ,iniwo ndichinzi ndirege
zvekuramba ndichirwa na Prog ndikanzi
akandidenha ndirambe ndakanyarara .
Chokwadi takabvuma kurayirika ini
ndaimbosimuka ndichiyenda ku kitchen
kunotarisa mapoto angu pamwe pacho
ndikateverwa nagogo vachindibvunza
kuti ndainge ndakarongedzerwei asi
ndakavaudza chokwadi chaivapo
zvikanzi "Koo zvino na Purpose
mavakusangana here dai
machimbotanga magadzira musha
mozoita zvekugadzira mhuri nekuti
Mwana ibasa chairo ende zvinodiwa
pamwana zvakawanda, apa kwangova
kunamatira kuti sezvo murume wako
avakushandawo kudai akapihwa Mari
azouyawo nayo kumba muchironga
muri pamwe chete asi Purpose
hatingamutyire haaratidze kuva benzi
kungoti kwanzi Mari inochinja munhu
asi haah kana hatizvitarisiri hedu"
vakadaro gogo ndikavaudza chokwadi
kuti handina zvandayiita naye, gogo Mai
Spencer vairatidza kushungurudzika asi
ndakatozovaudza kuti vasandityire uye
ndaizogara zvakanaka naivowo
vakanditi ndirege kutora mashoko
andainzwa ezvekushandiswa kwa
Purpose nevanhu vekumba kwavo
andaiziva uye andainzwa.
Ndakazopedza kubika tikabva
kwasekuru tadya uye gogo
vakandirongedzera chikafu mupaper
bag chaisanganisira upfu nemafuta
ekubikisa takasvika pakubvako vana
Spencer vasati vadzoka kubva
kunotamba asi Ivo gogo na sekuru
vakatiudza kuti vaizonoona Mai vangu
na mukoma Moment musvondo rataiva
iroro, takavaoneka vakasara isuwo
muroad takayenda
tichitombotaura nyaya sevanhu vainge
vabva vaguta uye vazvimbirwa.
"Ndirikunyatso kufunga kuti Moment
achinzwa kuti inini newe tava mukadzi
nemurume achazvigamuchira sei i think
ndikawana kamari kebus ndofanirwa
kutozonomuona" Akadaro mumwe
wangu ndikamuti "ah hameno asi ndiwe
wanga uchinditi ndofanirwa kusimba
pazviri wani zvoratidza kuti wanga
uchingotaurawo asi newewo usina
kusimba kwacho" ndakabva ndaseka
iye akasekawo zvikanzi "ndirikureva zva
Moment kwete zvako zveku
shungurudzika nekuda kwevanhu
vemuraini" takati tayambukira kumhiri
ndokunotevedza zvekare hedge
tichinosvika kwayaiperera ndiko
zvekare kwaiva kugate rekumba Kwa
Chiradha takanosvika mombe
dzichitovharirwa mudanga Mbuya na
sekuru vaivawo padanga ipapo
.Takavakwazisa asi vese maziso ayiva
kuzi plastic bag rainge rakatakurwa na
Purpose rinova ndiro ratainge
tarongedzerwa na gogo Mai Spencer
takavakwazisa vakabvunza kwataibva
ndokuvaudza asi tave kuda kupfuurira
sekuru vake vakabva vati "ukasvika
kumba uzodzoka kuno iwee Purpose"
iye kuda akanzwa usimbe
hwekuzodzoka achibva anditambidza
plastic bag ndokunditi nditungamire iye
achisara. Iniwo ndichisvika kumba
ndakangosvika ndichipinda mumba
nekugara , pamba apa paiva ne kitchen
iyo yainge yadhirikira mukati kudonha
kuchizoti ka two rooms kema asbestos
kanova ndiko katainge taswerera ku
cleaner asi kaiva nemitsemu
yakawandisa mumadziro zvekuti
kwaingova kugara tichityira kuti
kukauya mhepo inesimba or kurikunzi
kwaizonaya imba yaigona kutidonhera,
ndakagara ndichifana kuzvivaraidza
nemusic pa phone pake paakazosvika
akapinda mumba achiseka ndikamuti
"Koo chii?" zvikanzi "zvimwe zvinhu
ndava kutongoseka chero zvichibhowa
sha ipopaye ndasara ndichitongeswa
kunzi sei tayenda kwana sekuru vako
kunopihwa chikafu hameno kuti vanga
vachida kuti tidii inga tangoswera pano
wani hatina kana plate yechikafu
chambotitevera, sevanhu vakuru
havazotauri havo kuti vanyara nazvo asi
kwanzi mangwana uwuye utore chibage
unogayisa" ndakabva ndamuti "hoo
manje Mari yacho yechigayo ndoiwana
kupi ndonotora chibage ndouya nacho
kuno kah?" Zvikanzi "yah ndichazama
kutsvaga tsvaga anga fana
kuzondikweretesawo Mari yacho
yechigayo" takazorara tawirirana
izvozvo. Iye akarara mune imwe room
ini ndikarara mataitoti mudining kuseni
achiyenda kubasa ini ndakasara
ndichipedzisa kukura kura paruvanzi
pandakazoona vanhu vave kufamba
famba paruvanze Kwa Mbuya
zvichiratidza kuti vainge vamuka ndipo
pandakaendako zveshuwa ndakasvika
ndikanopihwa bhagidhi rechibage
nemari yacho yekugayisa ndikapihwa
plastic bag raiva neshuga, rice, salt ne
matches mafuta ekubikisa ndikaita
ekudirirwa muchigubhu ndakavatenda
ndikanzi mvura tiuye tichicherapo
tisayende kuchibhorani zvadaro
ndakabvapo ndikadzokera kumba
nezvinhu zvangu ndokutanga
ndazvipukuta pukuta kubvisa dust
rekusakura ruvanzi kwandainge
ndamukirira ndokazopinda muroad
ndichiyenda kuchigayo. Ndiri muroad
ndaizvivaraidza ne music phone yacho
ndainge ndogara nayo ndini sekunonzi
ndeyangu ndakanogayirwa ndokudzoka
kumba. Mazuva akafamba tiripo pamba
pedu Tildah haana kuzomboita problem
nesu number dzake ndainge ndakadzi
deleter kubva mu phone ma Purpose
uye Mbuya Chirasha ndivo vainge
vazoyenda kumba kwana Tildah
kunomutsiura , iniwo svondo rese
raipera ndiripamba ndainge ndakanzi
ndisafambe fambe asi ndaimbopota
ndichida kuyenda Kwa Mbuya
kunovabatsira basa vana Prog
pavanenge vari ku chikoro asi
ndakazorega mushure mekunge
ndarambidzwa na Purpose achiti
ayisada zvemashoko uye achiti zvaiyita
sekunge ndaida kunotaimira chikafu
zvinova zvakaita kuti kubva ipapo
ndingoswera ndiripo pamba , ma
Sundays ndiwo andainge ndoyenda
kuchurch kwedu ku ZCC kwandakajaira
ndaiti ndikapedza kugadzirira kana
Purpose aripo ayindiperekedza kusvika
murukova ndozoyambuka ndega
kuyenda kwa gogo Mai Spencer sezvo
ndivo vandaiyenda navo ku church
kwacho. Iniwo naiye Purpose tainge
tazojairana zvekuti ndainge ndo feeler
comfortable around him nenhamo yedu
iyoyo asi nguva zhinji tayinzwanana uye
taigara tichitaura nyaya zvese nekuseka
dzimwe nguva ayitondidenha andinditi
Mai Chirasha asi ndaisambotsamwa
ndaingoseka iyewo mazuva
ayaifungidzira kuti pay yake anoiwana
hazvina kufamba sekudaro. Vese
nevamwe vake vaishandako hapana
akawana Mari hadzina kubuda chero
maroads acho akatombomira
kugadzirwa zvinova zvakaita kuti
adzoke pahwurovha ukuwo chikafu
chataiva nacho chainge chopera asi
taizama kusaver nekuti ndaingobika ka
one pazuva tichibatanidza makuseni
nemasikati tozobikazve manheru
mazuva iwayo Purpose ayiva busy
nekusosera yard ayigona kuyenda
kusango kaviri pazuva achinotema
papango kana masanzu ,rimwe zuva
akazodaidzwa kwambuya vake
paakadzoka akasvika achinditi "kwanzi
vatete Mai Prog pavarikuuya pa Easter
ipapa varikuda kusiya vatanga kuvaka
imba yavo three rooms saka ndanga
ndasheedzerwa kunzi ndichere
foundation vozondibhadhara
ndigowana Mari yekunokubvisira
tsvakirai kuno but ndaramba because
ndozviziva kuti ndoshandisirwa mahara
,dzimba zhinji dziri pamba ipapa
ndaishanda sha asi handina
pandaipihwa Mari ndaingoita hembe
dzekukumurirwa vandinenge
ndashanda navo vaibhadharwa asi ini
ndichigonzi ndiri Mwana wepamba uye
ndirikubatsira basa ayewa handichade
kushandira mahara ini ukowo Kuma
catapilar kwataigadzira ma roads
hakuna chakabuda vamwe tinenge
takasikirwa kungoshandiswa chete"
akabva aseka asi ini ndaisaona
chaisekesa.

"Hazvizonetsi here Purpose pamwe


waibhadharwa zvirinani than kuswera
pano pamba wakagara" ndakamudaro
zvikanzi "ndozviziva kuti handina
chandinopihwa Orna izvezvi ndaramba
asi ndabvako ndavekutotukwa kunzi
ndiri simbe ndajaira ku fidhwa
ndakagara ndatoudzwa kunzi handina
chikafu chichauya futi kuno zvese
izvozvi vanga vachizvitaurirei kana
vachiziva kuti iripo Mari yekubhadhara
ngavangotsvaga mumwe munhu anoita
basa racho kah" ndakaona kuti handina
zvandaikwanisawo kuita ndokunyarara
,kubvawo ipapo ayinge avakupota
achiyenda kuma trainings avo ebhora
sezvo vaida kuzotamba game ravo
neimwe team Musi we independence
day. Rimwe zuva ari manheru
takazoona Spencer na Corsy vasvika
vakabata paper bag kunze kwainge
kuchangoti svibei asi havana
kumbogara ndakagamuchira plastic
bag riye asi tese tichangopinda mumba .
Purpose ndiye akatanga kurivhura
ndokuwana muine green bar soap,
shuga ne rice and also two ma packets
ema pads ne mapants matatu angu
manyowani kozoti mapumps,
ndakatoziva kuti ndigogo vanga
vazvitenga ndiwo waiva mugariro wavo
wekunditengera ma pads mwedzi wega
wega iniwo ndakanzwa kunyara
ndichionerwa mapants nema pads
angu na Purpose ndikamuti "uchabata
zvisingabatwe" zvikanzi "chii
chisingabatwe kasi unopota
uchikanganwa kuti urimukadzi wangu
here" mutauriro waakazviita wakaita
kuti ndiseke zvikanzi "vaita havo gogo
nasekuru varikubatsira kuvharawo
hwurema hwangu ndikazoitawo pastor
ndichavachengeta" akataura zvine
majokes mukati asi ndakakurumidza
kumutarisa ndikamuti "kuita pastor?"
Zvikanzi "ehe Sha ishuwiro yangu
kuzova pastor ndine vamwe bamunini
vangu uchazovaona obvious vanhu
vese vachauya pa Easter Holiday ipapa
apa bamunini ivavo ndivo vaida
kundiendesa ku bible school but
pavakangonzwa nyaya dzangu newe
vakabva vazviramwawo, chimwe
chaitondipa shungu dzekuda kuyenda
kubasa na bamukuru baba Philip
ndaitofungidzira kuti zvimwe
ndichanowana Mari then ndozoti kuna
bamunini ivavo ndine pashoma
pandawana ndiwedzereiwo sometimes
ndinotonzwa sekunge ndine calling
mandiri uchazoona hako mumwe musi
kana ndakafarisa ndichikudonhedza ne
demon" ndakabva ndaseka zvikanzi
naiye "unenge wavakutonzi Mhama
mufundisi Mai Chirasha" kuzodaro
ndakatanga ku imaginer ndiri Mai
mufundisi zveshuwa. Tiri pakati
pekuseka kudaro panze pakaita vakati
gogogoi ndini ndakabuda ndichitarisa
sezvo ndini zvekare ndange ndakamira
pedyo ne door ndabuda ndakawana vari
baba Charma ndakavamhoresa hangu
asi Purpose ndiye akazobuda
achinotaura navo akambonoti nya aripo
paakadzoka akasvika achiti "muface
uyu auya nepfungwa iribho manje apa
unoona kuti chii kah Orna?, ndanga
ndisina kukuudza hangu kuti ndine
mombe vabereki vangu vakasiya
mombe nhatu dzakazombobereka asi
dzimwe dzaingofawo panguva
inodonha mombe zhinji dzemuno
nechirwere paye saka izvezvi ndine one
irikudanga kwana sekuru. Baba Charma
vauya nepfungwa yakanaka zvimwe
zvatinenge tichitaura nevamwe kunze
uko zvine chekuita nekuvaka saka ivo
kuuya kwavaita vati vavakuda
kurumukawo kubva mumaoko
evabereki vavo soo arikuti arikutsvaga
munhu wekubatana naye arikuda
kuvaka so zvatinenge tavakuita
ndezvekuti tinenge tichiti tikamboti
kwake totiwo pano. Inoyi imba inogona
kutidonhera any time saka tichaipaza
tobvisa zvidhinha pamwe
tingazongowedzera zvidhina zvishoma
ndinozvibhaga ndega zvese nekutema
huni dzekuyapisa hazvinetsi
,pandinotengesa mombe yacho ndipo
pandichabvisa Mari yako yetsvakirai
kuno then imwe tichasungirira
ndatotaura naye baba Charma
ndotanga kuyendawo naye ku
Mozambique akangondiratidza road
ndinenge ndavakutoyenda ndega
totanga kuita zvekutengesa. Asi
pakuvaka muchange muchibatsirana
namai Charma kuchera mvura hameno
unopaona sei" ndakanyemwerera
nemufaro ndave kutozviona
ndichichenawo nehembe dzeku
Mozambique iye paakaona ndabvuma
akabva atobuda achinotaura na sekuru
vake VaChirasha akadzoka achiti
"vabvuma vatonditsvagira buyer
vatofonera munhu wacho ndofunga
vatoona zvirinani because naiyowo
mombe yacho yaigona kuzofa semafiro
akaita dzimwe asi manje sekuru
handina kuvaudza zvekuda
kuzonohwodha ku Mozambique chero
zvekuvaka ndangovati pane zvandoda
kuishandisa Mari plus kunokubvisira
tsvakirai kuno ivowo nekuziva kuti
handisi kushanda havana kundibvunza
zvakawanda wanda haah zvinhu zvangu
zvikabuda semarongero andavakutoita
ndirikuona ndaita life iri better ini"
Akadaro achinyemwerera ndikamuti
"horaiti pastor Chirasha" akabva aseka
zvikanzi "iribho Mai Mufundisi
Chirasha" takasekedzana. Zvemusi
iwoyo takarara tiri mu happy mood then
next day ndipo pakauya pachitorwa
mombe yanobhadharwa zveshuwa
akauya nemari yese akandiratidza asi
akaverenga yaayiti ndiyo yekuvakisa
akaverenga imwe yaakati ndiyo
yaayizonohwodhesa ku Mozambique
kwavainoita zvekuno crosser ne
Mukumbura boarder post sezvo ndiko
kwainzi hakunetsi kana usina ma
papers ekufambisa, abvisa Mari
idzodzo akatora imwe shoma
yaakanosiya kwasekuru vake asi
paakadzoka kubvako akasvika
achipfuurira kuyenda Kwa sekuru baba
Spencer kwaayiti anzi anova sheedza.
Vakadzoka vese ndikazodanwawo
kwambuya kunova kwakaitwa hurukuro
yekunzi Mari yacho yetsvakirai kuno
itonorara yasiiwa Kwa Zhou
zvakafambiswa sekudaro ave manheru
tava tega kumba kwedu na Purpose
akatanga achinditi "Tete vako vari
serious mushe mushe here iwe?"
ndakamutarisa ndikamuti "Tete vangu
vapi?" Zvikanzi "Tete vako chaivo
Concy" ndikamuti "hindava vadii?"
zvikanzi "vakada munhu uye here or
vakada chimota chaanacho chiye pese
apa ndichingonzwa kunzi vakaroorwa
ndanga ndisingazive murume wavo but
ndazovaona vari vese nhasi Kuma
shops time dzandaenda nemachinda
atora mombe , asi muface wavo uye
anofanirwa ava nevakadzi kana vana
vakawanda paari paye" ndakabva
ndamuti "hii Iwee Purpose" ndakadaro
zvekushamisika zvikanzi "serious
vazhinji vanomuziva anonzi Chigova
uzobvunza kana Edmore unzwe
akamitisa vana vakawanda kumaraini
kwavo muface uya zvichida anga asati
avakuda kuva settled pamwe
akazofunga kunyadzogadzikana na
Tete vako Concy but vana anavo hake
kunze muchinda uya hatidi
kunyeperana" ndakashamisika nazvo
zvakatozoita kuti ndimuudze
nezveruchiva rwavaindiitira pandiri
akatoti "wakaita hako ukauya kwandiri
otherwise dai urikowo kuchimota chiye"
ayiva wema jokes tichibva taseka . Next
day Mai Charma vakauya vachindiona
Ari makuseni ndokurangana kuti
taizotanga kunochera mvura yekwavo
uye musi iwoyo taizorara tachereredza
rimwe drum manheru, asi takazoti
tavekuchera akatanga ku complainer
achiti musana waimurwadza zvinova
zvakaita kuti ndimubvunze kuti
zvaikonzerwa nei iye kwave kundiudza
nezvemu bedroom mavo ayitaura
achifunga kuti ndizvo zvekweduwo na
Purpose asi handina kukwanisa
kumubudira pachena kuti kwedu
taisaita izvozvo , takazoti tapedza
ndokuparadzana ini ndave kuyenda
kwangu kumba kwandakanosvikira
Purpose achibva kunochera mvura Kwa
Mbuya kuburikidza nezvandainge
ndaudzwa namai Charma ndakatanga
kungonzwa kumunyara kwandisina
kuziva kuti kwabva nepi. Pese
paayindibatsira kubatidza moto panze
nekubika achitaura nyaya ndaitadza
kumudaira zvakanaka
sezvandaisimboita mazuva ese asi
takazoti tapedza zvese zvatayiita
achibva anditi "nhasi ndaisisa mavedio
manyowani huya tione" ndizvo
zvataisimboita zvekuona tese ma
vedios paphone pake takazoti tagara
tese pasofa redu ekunyobvorwa
nemakonzo iwayo kugumana
kwatainge takaita tichiona ma music
vedios pfungwa dzangu dzakatanga
kufunga zvandanga ndaudzwa namai
Charma ndikatanga kunzwa kumwe
kusagadzikana mandiri uye muviri
wangu ndainzwa sewaiwedzera heat
zvaakaonawo kunyangwe naiye kwave
ku pauser vedio akati "Orna chii"
ndakatadza kumupindura nekunyara
ndakada kusimuka iye achibva
akurumidza kundibata ruoko
achindidzosera kuti ndigare pasi "taura
neni Sha chii" akandidaro achiwedzera
kuzviswededza pandiri.

*Stay tuned.......*

Follow this link to join my WhatsApp


group:
https://chat.whatsapp.com/LJYdcjZqa
Jg3Ray0NIqfht

https://facebook.com/groups/1018956
279079680/

Pressȱ this link to join our Facebook


page.

*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY
AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*
*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 18*

Kuti ndimupindure zvakanetsa


akadzokorora kunditi "Orna" ndakaona
sekunge ndainge ndoita
zvisingafanirwe kuitwa "hee"
ndakamudaira ndichidaro zvikanzi "chii
ndiudze chokwadi kana paine
zvirikuitika pauri" akandibvunza kudaro
akanditarisa kumeso ndikati "hapana"
akamboita ma seconds mashoma
akanditarisa "chipedzisa kuona ma
vedios ini ndavakunorara" akadaro
achitosimuka asi paayifamba
kunopinda mu bedroom make
ndakawona achizvibata pamberi
pebhurugwa rake achiita seayipakwiza
zvakaita kuti ndinzwe kunyara.
Ndichibva ndasimuka kwave kutora
magumbezi angu ndichiwaridzira pasi
pandairara chero ma vedios handina
kuzoyenderera mberi nekuyaona
ndakangosiyawo phone yake iri
patainge takagara asi ndakati ndapinda
mumagumbezi ndokutanga zvekare
kufunga zvenyaya dzandanga ndanzwa
na Mai Charma pakuzvifunga kwangu
ndainzwa kunakidzira pazviri
ndakazobatwa hangu nehope asi usiku
pandakapatika mushure mekunge hope
dzapera ndaifunga zvakawanda uye
zakasiyana siyana kusvika
pandakafunga zvandainge ndaita
nezvandainge ndanzwa mumuviri
wangu ndakagara na Purpose
ndikanzwa kuzvinyarira zvekuti kunze
kwakasvika pakuchena hope
dzavekuramba kubata nekuda
kwenyadzi. Kuseni ikoko mumwe
wangu ndiye akatanga kumuka ini
kwave kufuga musoro nekuda kwekuti
ndainyara kutarisanaye ndakazonzwa
ave kuvhura door achibuda panze
zvichida ayiyenda Ku toilet paakadzoka
ndipo paakasvika achindimutsa
ndikamudaira ndichinyepedzera kuita
sekunge munhu ayibva kuhope zvikanzi
"muka tiyende kuma shops tinotenga
zvinhu zviye zvekushandisa muno
mumba" inyaya yatainge takambotaura
nekuronga nezvayo kubva pamari
yemombe kuti taizotenga ka grocery
kedu. Paakadaro ndakamuka
ndokupeta magumbezi asi
ndaingonzwa kumunyara "nezuro
zvatakapotsa taita hazvisirizvo Orna"
akadaro ndichirongedza magumbezi
angu kumayisa paayigara ndikamuti
"zvei izvozvo" kwaiva kuda kuzama
kunyepera kudzungaira hangu asi
zvaayireva ndaizviziva zvikanzi
"ndoreva zvakaitika nezuro zvakazoita
kuti tipesane ini ndichinorara" matauriri
ake akaita kuti ndirambe ndichiwedzera
kunyara ndikamuti "handisi kuziva
zvaurikutaura ini" ndofunga iye akaona
kuti tingaswerere kupikisana zvikanzi
"ukawana time udzokere hako Ku Ecd
sha" akataura zvine kundiwanzira
kwakasangana nema jokes mukati.
Tichibva taseka tese ini naye
akayenderera mberi achiti "shuwa
ngatimbozama kuva serious sha
timbomira kuita zviya zviya tione kuti
tirikubvepi tichiendepi nelife
yatakapihwa nevanhu vekwenyu
nevekwedu kuti tirarame tiri two iwewe
neni" ndakabva ndamuti "yeah iribho
Mufundisi" ndakataurawo zvine kuda
kuita sendayimudenha zvikanzi "iribho
Mai mufundisi Chirasha" takabva
taseka ende kutaura nekuseka
kwatakaita ipapo kwakandibatsira
zvakaita kuti ndinzwe kusununguka
chero kunyara kwandayiva nako
kwakambotapudzika.

Ndakazogeza kumeso ndokuzobuda


hedu tichiyenda kuma shops asi
nekuda kwekuti mari yedu yaingova
shoma takangono nhonga zvataiona
zviri important kunyanya takati
tadzokera Kumba ndakasvika nekubika
sadza ndiro ratakadya ndakaona riri iro
rakafaira kubikwa ndichiitira kuti
raibata dumbu sezvo umwe wangu
ayida kupfuurira kuyenda kwana Mai
Charma kunotanga basa ravo,ndakati
tapedza kudya ndokubuda pamba
ndichiyenda Kwa mbuya Chirasha
kunokumbira bhavhu rekuwachira
vakanondipa hombe resimbi. Zvadaro
ndakadzokera kumba
kwandakanopakira washen yangu
yehembe dzedu kusanganisira
zvimachira zvekuweterwa nemakonzo
zviye ndokusenga bhavhu rangu
pamusoro ini na Purpose tikabva
pamba pedu tichifambidzana
akanditakurira chibucket chaiva
nezvishangu zvedu zvaida kunowachwa
apa taifambidzana iye achiyenda
kunotanga basa ravo na baba Charma
takazonoparadzana kumberi ini
ndichinanga kurwizi kudivi raiwachorwa,
ndanga ndaita zvekurwizi sezvo
ndaiwona kunge mvura yekurwizi
yaibatira sipo kudarika yepa tap
ndakasvika kurwizi kwacho
kuchitovawo nevamwe vaiwachawo
vese vakatanga kundibvunza kuti sei
ndainge ndasiya kuwachira kwa
Chirasha ku tap asi ndaingovaudza
same statement yekusabatira
kwemvura sipo. Ndakazoti
ndavekupedza ndokuona Mai Luke
vasvikawo neyavo washen vakatanga
nekunditi "hesi nhaiwe mukadzi wa
Purpose kubva zvawakaenda
kuchirungu uko hauchaoneki kah kuno"
ipapo ndakaita chivindi chero misodzi
yandaisimbonzwa ndikanzi mukadzi wa
Purpose musi iwoyo hawuna kana
kumbouya ndikatovadaira
ndakachangamukira ndichivati "ndiriko
ndinenge ndakazvivharira kuchirungu
kwedu uko kuti ndimbowanawo
Kutsvinda zvirinani" vese vaivapo
kusanganisira ivo Mai Luke vakabva
vaseka vakatanga kudairirana
vachindiudza zvekukura nekuchinja
kwandayiita uye kuti ndanga ndaitawo
kakudzikama ,pamwe pacho
ndichivadairawo mukuseka kwedu
ikoko "zveshuwa nzeve dzangu dzanga
dzanzwa chaizvo ndangonzwa
nemasekero ndikaziva kuti ndi
Ornament chete arimurwizi umu voice
rako harimbondirasi kana ka one" . Ndi
gogo va Tildah Mai Madzinga vaidaro
vakabata bucket ravo rekucheresa
mvura mumaoko ndikavati "makadiiko
gogo" ndakadaro ndichisekererawo
sekuseka kwavayiita ndichibva ndasiya
washen yangu ndave kufamba
ndichiyenda kwavari uku ndichizunza
mvura mumaoko "urisei hako Orna
kurisei kumba kwenyu uko"
vakandidaro ndikavati "kuribho uku
hameno kuriseiwo kwenyu"
ndakavadaro zvikanzi "kuri right zvako
inini ndini ndakatosara pachena chaipo
kubva zvawakaenda garden rangu
ranzwa nekuomerwa nekutoshaiwa
mvura chaiyo yakakwana ndaitoudza
gogo vako Mai Spencer Musi uno
ndikati zvirimwa zvangu zvofa kuno"
vakadaro vachiseka tave
kutofambidzana kunanga kuchidziva
kwayicherwa mvura yekudiridzisa
ndikavati "munopota
muchindisheedzawo gogo ndotodiridza
handingambotadzi because kumba uko
ndinongoswera ndakagara ini" .
Vakanditarisa vakati "chokwadi here
nhaiwe Orna ndingafara chaiko ukadaro
zvino murume wako haazokurambidze
here" vakandidaro ndikati "ah kuti
angandirambidzirei nhai gogo
ndinotoyada madomasi ini zvinenge
zvichitova nani nekuti hatiiwani mari
yekuyatenga everyday" ndakavadaro
ndave kutotsvetera basa zvikanzi
"izvezvi madomasi hamuna hamo
andaisimboku temhera akapera izvezvi
kune ayiva madoko aye ndiwo
avakutanga kutsvuka one one asi
izvozvi munongova nemaganga egreen
chaiwo asi ukauya kunodiridza
handingazoshaiwe chekukupa kana
zvichigona huya udiridze mangwana"
vakadaro ndikatobvumira mudenga
ndichibva ndavati "kasi Tildah haako
here zvamunotambura nekudiridza
mega" ndakavadaro zvikanzi "anenge
arikuchikoro plus isimbe iye haiwaa zva
Tildah ndingambozvi tevedzera here
unouya mangwana makuseni ini seven
dzichingochaya ndinenge
ndatovhurawo garden" vakadaro
tikabvumirana izvozvo ndikasiya vave
kutikura mvura nebucket ravo kubva
mudziva ini ndave kudzokera Ku
washen yangu . Ndakati ndapedza
washen ndokusengedzwa dish
pamusoro nevamwe ndikatsiga
ndichidzokera kumba handina kuziva
kuti pandakasvika ndaitotariswa na
mbuya Chirasha avo vakati ndave
kuyanika hembe ndokusvikawo pamba
ndakatovhunduka sezvo chigariro
chedu vanga vasati vambopasvika
pamba pedu ndakavamhoresa
zvakanaka ndokusiya kuyanika hembe
ndikanopinda mumba ndichivatorera
saga randaida kuti vagarire asi ndakati
ndave kuva gamuchidza vakanditi
"handisi kumbogara ini ndoda
kudzokera kumba ndatosiya poto
pachoto ndikaita zvekugara
ndingawana ava mataito chaiwo
vekuchikoro vakasvika vachishaiwa
pekutangira" vakadaro vachirevera vana
Prog ndikavati "horaiti mbuya" ndipo
pandakaperera ndashaiwa kuti
ndovatiiwo zvikanzi "ehe handisi
kumbogara muzukuru ndaona
uchisvika wakasenga bhavhu kubva
kunowacha kasi wanowachira kurukova
here" ndakangofungira kuti zvimwe
vaisada kuti dish ravo riyendeswe
kurwizi ndikakurumidza kuvati "ehe
ndiko kwandanowachira mbuya sorii
henyu handina kuziva kuti dish
hariyendwi naro kurwizi" ndakangotaura
zvaiva mupfungwa dzangu zvikanzi
"handireveri hangu bhavhu iroro asi kuti
kana uchisiya mvura iriko kumba uko
uchinowachira kurukova hazvipi
chimiro chakanaka zvinoita sekuti
tinokurambidzai kuchera mvura pamba
izvezvi ndinoyenda mbiri isiriyo muraini
ndichinzi handikubatei zvakanaka
nekuda kwekusateerera kwenyu
murume wako chaiye rwendo rwapera
urwo ndakamuti achere foundation
yeimba yavatete vake Mai Tildah asi
akaramba izvozvi Mari yotorwa
nevatorwa iye aripo asina chaanobata
achingodzengerera muraini muno
sebenzi. Asi Izvozvi ndazonzwa kunzi
arikuchera foundation yekwa Bhasiketi
asi yavatete vake akaramba kuti tanana
kudai zvichingo konzereswa nenharo
iwewewo nedivi wosenga zibhavhu
kuyenda kunowachira kurukova
chirudzii chamunenge muchifurirana na
Purpose munenge muchitotiita vavengi
venyu kah isusu ndizvo kah?".
Vakandibvunza kudaro ndikaomerwa
nemashoko kuti ndivaudze zvayiitika
pakati pa Purpose nevekwa Bhasiketi
kwacho kwaayinge awonekwa
achichera foundation zvakanetsa kuti
nditaure sezvo iye from first ayinge
asinawo kuvaudza program yake
"ayewa tiregerereiwo paresveka mbuya
ini ndoona sekuti mvura yekurwizi
inobatira sipo kudarika yepa tap sezvo
ndanga ndirikunowacha nesipo
yekukwizira handizivi hangu kuda
kutongojairawo kuwachira kurwizi" .
Ndakavadaro ndakazvityora chaiko
zvikanzi "hwakaipa hwunhu ihwowo
uhwusiye pawauya uchitora dish
waregerei kutaura kuti urikunowachira
kurwizi ndinozosara kufamba
mumaraini ndasvibiswa kare kuita
sekunonzi tinokurambidzai kuchera
mvura isu..." vakamboyenderera mberi
nekupopota ndisingachavadaire
vakazopedzisira nekuti "handiti wanga
wavakutopedzisa kuyanika nhumbi
dzenyu?.... ibva wadurura nhumbi
dzacho muchi bucket chako ichi ini
ndibve ndadzokera nebhavhu rangu"
zveshuwa ndakasimuka ndikaisa
dzimwe hembe muchi bucket chaiva
nezvibhutsu zvandanga ndabva
kunowacha ndakaona hembe dzacho
dzisingakwani kwave kutora chimwe
futi chi bucket dzikapinda dzese apa
zvaiva zvi bucket zvezvigubhu
zvakachekwa na Purpose. Ndakati
ndapedza kubvisa hembe dziya
ndakapukuta mamhororodzi esipo
kubva pa dish ndikavati "maitabasa ne
dish mbuya" ndakadaro ndichityora
muzura ndichivagamuchidza zvikanzi
"vana Prog vakanonoka kudzoka kubva
kuchikoro ndichakusheedza
ugondiyenderawo kuchigayo" ndaisada
asi zvakandiremera kuti ndivarambire
ndichibva ndangovati "horaiti mbuya".
Vakafamna vachibva pamba pedu ini
kwave kusara ndichipedzisa kuyanika
hembe taisava neline rekuyanikira saka
ndaiyanikira pazvikwenzi zvemu yard
medu zvimwe ndichiisa pazvimiti
zvakadzikira zvemiruva zvaiva pedyo
neruvanzi ,ndapedza ndakanogeza
ndokuswera ndakarara Ivo mbuya
havana kuzodzoka vachindidanira
kuyenda kuchigayo asi time dzakauya
Purpose ndakamuudzawo zvainge
zvataurwa na mbuya uye zvanga
zvaitika zvikanzi "ikozvino rega kupota
uchinokumbira kumbira zvimwe zvinhu
Orna kana sipo iripo hapana need
yekusiya washen ichiungana mumba
ikavawo shoma unowachira muma
buckets ako iwaya tichimirira
kuzotengawo ma dish edu"
ndakamunzwisisa ndichibva
ndamuudza nyaya yekuno diridza Kwa
Mai Mazinga akandigandukira zvikanzi
"Iwewe ukaita zvinhu zvakadaro unenge
wavakutoita zviri wrong especially
kwandiri hangu handioni zviri zvinhu
zviri right horaiti hatina mari hatina
chatinacho asi urikutofa nenzara
zvekuti wavakuda kutopinda mumaraini
uchiita maricho here?". Akandibvunza
kudaro ndikamuti "kwa mai Madzinga
ndakabvira kare kuyendako
ndichinodiridza chero ndichiri Kwa
gogo Mai Spencer ndaingonodiridza
wani asi zvaisava zvenzara because
ndaingodya ndichiguta saka problem
yako iripapi apa?" .Ndakamubvunza
kudaro zvikanzi "iwewe une nharo ndiyo
problem yako hauna kwaurikuyenda
ndingatokuperekedza izvezvi
wotonorara wavaudza kuti mangwana
une dzimwe plan dzisinei ne garden
ravo" akadaro ndikamuti "plan dzipi
dzandinadzo kana urikunyara kuti
wakambodanana nemuzukuru wavo
ndezvako izvozvo inini ndirikunodiridza
mangwana" ndanga ndatotsamwa iye
achibva anditiwo "zvekudanana kwangu
nemuzukuru wavo zvirikukwana papi
apa ndirikukuti haungayende
kunodiridza Orna because
uchazovirirwa futi wavakusenga mvura
yebasa iwewe namai Charma because
mangwana tirikutanga kuvaka
zvekuchera foundation yavo tapedza
nhasi" akadaro ndikamuti "handiti
simba racho nderangu here iwewe
zvirikukubhowa papi wambotaura
zvekuti nzara hee maricho zvakazoti
aiwee siyana neni" . Ndakamudaro
zvikanzi "hauna kwaurikuyenda
ndatokuudza soo" ndayiona sekunge
ayindijairira zvaitondibhowa
nekutsamwa ndakabva ndamuti "ndizvo
zvaikupa kurarana na Tildah musango
izvozvo" akabva anditarisa achiratidza
kutsamwa ndokusimuka kubva paanga
akagara kwave kutora phone yake
zvikanzi "ndiko kwandava kutoyenda
manje kuna Tildah wacho" akabva
atobuda ndakasara ndichigumirwa kuti
ndimutevere zvakandiremera makumbo
angu akashaiwa simba chairo ,
ndakaita hasha ndikazvirega
ndakamboda kuti ndiyende
kunomutaurira Kwa sekuru baba
Spencer kuti ayenda kuna Tildah asi
rima rainge rotanga kuitika nekuda
kwekudoka kwekunze rakandi
dzikamisa kuti ndiyende kunoudza
sekuru nambuya vake ndaitya
kuzosekwa na Prog. Ndakazopedzisa
kubika sadza nemazai zvandayibika
kwave kungogadzika mapoto acho
mumba appetite yangu yanga yatiza
chaiko chero mvura yake yekugeza
yandainge ndasiya panze pachoto
handina kuzombodzokera
ndichinoikutidzira ndakasvika
pakuwaridzira kuti ndirare asi hope
dzakaramba kubata , chero paraffin
light rataishandisa tichiti kana tapedza
zvatinenge tichiita toridzima kusaver
paraffin asi musi iwoyo
ndakaibhebhesa paraffin ndichimirira
kuuya kwake , ndakazoti pava paye
ndokunzwa phone yairidzwa music
ndokuziva kuti ndiye chero muridzo
waayiita aripanze achitevedzera song
yairira wakandiudza kuti ndiye
zvakandipa simba rekumuka kubva
mumachira angu ndikaita zvekugara
kwave kutsamhira chisofa ndichimirira
kupinda kwake. Paakapinda ndaifunga
kuti zvimwe achanditaudza asi haana
akangogadzika phone yake kwave
kutora zvekugezesa ndakasimuka
ndichitora phone yake ndichida kuona
kana ayinge asenderana ma massage
na Tildah asi iye paakaona ndichibata
phone yake akangoperera mukumira
akanditarisa iniwo ndakabhowekana
nekutariswa ikoko kwave kuridza
tsamwa ndichidzosera phone yake
pandanga ndaitora iye
ndokuisimudzawo akabatidza torch
kwavekufamba achibuda nayo
kunogeza ndakasara ndichironga
nekurongonora zvekumuudza zvekuti
paakadzoka kubva kunogeza
ndakamupa mukana wekupedza
zvaayiita. Chikafu haana
kumbochibvunza kana kumapoto haana
kusvika ndakazoti paakadzoka
achivhara door zvekuti tirare iye
achidzokera maayirara ndakasimuka
ndikatevera mumashure make. "Kasi
nhasi tirikurara tese munomu here"
akandibvunza kudaro ndichibva ndamu
pusha ndikamuti "uchagara na Tildah
iyeye handiti ndiko kwawabva kwaari?"
Ndakamudaro zvikanzi "Saka apa
urikundi pushirei manje?" ndikamuti
"ndogona kungoku pusha futi hauna
zvaunombondiita" ndakadaro ndichida
kutodzokorora kumu pusha iye achibva
andibata maoko akanditarisa kumeso
kwema seconds mashoma ndokutanga
kuseka achiti akanditarisa oseka
achiita kakukotamira zvekupererwa
"usandibate ndisiye maoko angu apa"
ndakamudaro ndichizama kuzvibvisa
maoko angu asi iye akaramba achiseka
ndikamuti "handisi kukusekerera
Purpose" zvikanzi "ok saka apa kundi
pusha uku kuda kurwa neni here nhai
Mai Chirasha kana kuti
murikutotsvagawo henyu kufira
mumaoko angu" . Akadaro achiseka
ndikamuridzira tsamwa iye achibva
andi kissa padama zvakandivhundutsa
kwave kumutarisa ndikavhuzura
ndichibvisa ruoko rwangu kubva
mumaoko ake ndikabata dama rangu
pandakada kuti nditaure ndichida
kutomutuka iye akabva akotamira
sezvo ayiva murefu mbichani kwandiri
kwave kuita zvekupushira rurimi rwake
mukanwa mangu akatanga kundi kissa
pandakada zvekare kuzama
kumupusha iye kwave kundiwisidzira
pachimubhedha chaayirarira
chakasiiwa nevabereki vake chaibaya
baya nema spring zvese zvaayindiita
ipapo nesimba raayiva naro kwandiri
zvaindityisa asi haana kundisiya akati
andiisa pachimubhedha ichocho kwave
kuuya pamusoro pangu akandibata
maoko ese ndichifemereka zvikanzi
"dzikama Orna hauna simba rinodarika
rangu iwewe siya ndiite zvandirikuita
ukadzikama handikuite zvaurikutya
izvozvo" .
Akandidaro ndikamuti "ayewa Purpose
handisi kuzvida ndisiye apa" ndakadaro
ndichida kuchema uye ndichizama
kumupusha kubva pamusoro pangu asi
haana kubvisika "ndataura kare wani
ndati dzikama" akandidaro ndichibva
ndamuti "handisi kuzvi..." Ndisati
ndapedza kutaura akabva atanga futi
kundi kissa ini ndaisagona ende
ndaisaziva zvekuita iye ndiye
ayingofirira kukakatana nerurimi
rwangu achishandisa rwake. Asi
ndakasvika pandakaneta nekuzama
kumupusha ndokuzvisiya kusvika
ndava kuteerera zvaayindiita
ndokutangawo kurakirwa nazvo
ndakadzikamira pandakanzwa ava
kuda kupinza ruoko rwake muhembe
mangu ndakabva ndamubata kuti
asapinze nekuti ndaisazviziva uye
ndaitotya akazvibvisa pa kiss zvikanzi
"sorry hant kah Orna" ndikamuti "ndisiye
ibva apa" ndakadaro ndichimupusha
akabvuma kubvisika asi ndichimuka
kubva pachimubhedha chake akabva
andi hugger tikagara takaita
zvekurembedza makumbo pasi
zvikanzi "sorry ndakakuudza zuro
chaiye kuti hatifanirwe kuita zvatiri
kuita izvi timbotanga tarongeka but
ndiwe unenge uchitozvikonzeresa hona
apa urikungowanza hasha hako asi
handina Kwa Tildah kwandamboyenda
ndatoti ndichibuda pano ndananga
kuma shops ndiko kwatanga tichitamba
slag pashop yekwa Dhuma paye chero
ukabvunza Spencer tanga tiri tese ndiye
wandatouya naye but iye apfuurira
kuyenda kumba , haufanirwe kutsamwa
uchidaro Orna" akadaro ndikamuti
"ndiwe watanga kunditsamwisa kwacho
sei wazobuda uchiti urikuyenda kuna
Tildah" ndakamudaro zvikanzi "asi
ndiwe wangotanga wani kutaura
nezvake ok ngatidai mangwana
unoyenda hako kunodiridza kwacho asi
ngazvibve zvaguma nhasi
zvekunodiridza ma garden evanhu
ndakataura kare kuti unofanirwa
kuswera pano handisati ndawana basa
chairo rekuti ndigone kukuchengeta
ndozviziva kuti unenge uchida
kubatsirawo nedivi asi zvinondidzikisira
hako zvinobva zvaratidzika kuti
ndirikukundikana kukuchengeta chero
iwewe zvichakusekesa nevamwe
vakadzi vezera rako togona kuzviti
hazvina basa nekuti tirikuita zveupenyu
hwedu asi kumwe kukundikana hakudi
pamberi pasatan nekuti anozobatsirana
nevatumwa vake kupururudza waona,
saizvezvi tine basa ratirikuita haungati
wabva kunotutana nemvura yemu
garden wodzoka uchinochera
yekunovakisa hazviiti ndoda uve pano
pamba chako kubuda uchinochera
mvura namai Charma even nyaya ya
Tildah ngatirege kuitaura muno mumba
because hauna kumbobvira wandiona
ndakarara naye ndizvo kah?"
Ndakangomuti "horaiti ndazvinzwa"
ndakadaira zvinehwu stubborn mukati
ndichimonya muromo achibva aseka
zvikanzi "Saka wazosara ukadii
nesadza rako chindipawo rangu" ndipo
pandakawana Simba rekunopakura
ndakamupa rake ini ndikadyira mangu
mandairara. Ndapedza kudya
ndakambogara iye akandisheedza
maayiva ndakanopinda zvikanzi "gara
pasi ndikubvunze something"
ndakagara asi asati andibvunza
pfungwa dzangu dzakatanga
kudzokedzana kubva ku kiss yatainge
taita nekunyara ndakaridza tsamwa
ndichibva ndatosimuka kwave
kunhonga plate ne cup yemvura
zvaayinge ashandisa kwave kunanga
kumagumbezi angu kwandakanosvika
ndichipinda nekufuga musoro
ndavekudzamisa pfungwa nekuda kwe
kiss uye zvandainge ndanzwa
ndakasvika pakubatwa nehope asi
kuseni patakamuka ndiye akatotanga
nekunditi "usarambe uchifunga
zvatakaita nezuro zvinopengesa
unozopenga wanzwa?" Mutauriro wake
wakaita kuti ndiseke iye kwave
kusekawo. Ndakazogadzirira
ndokubuda ndichikusiya pamba
ndichinanga ku garden kwamai
Madzinga ndakasvika vatovhura
ndikatotanga kudiridzira mibhedha
yema carrots nema onions avo
avakazondotemhera mashizha
mashoma pandainge ndapedza.
Zvadaro vakanditi tiyende tese kumba
kwavo kwavakano svika vachindipimira
magalon maviri echibage ndakavatenda
ndokusenga saga rangu ndichiyenda
kumba. Purpose achidzoka
ndakamuratidza chibage asi akaramba
achisimbirira nyaya yake yekuti
ndisayende futi kunodiridza ,mazuva
akafamba tichiita basa redu tichi
balancisa nekwana Mai Charma asi
pakatanga kuvakwa yedu tanga
takumbira room yekurara kwambuya
Chirasha sezvo yepamba pedu ndiyo
yainge yapazwa ichibviswa madhina
ayo ayinge akasimba zvirinani nekuda
kwekuti ayiva e cement zvinhu zvana
Mai Charma zvakazo shota ndipo
pakafamba yedu ikapera mudenga
mudenga sezvo yaingova one room
yakati kurei uye marata takango
shandisa atainge tabvisa paimba yedu
tsaru floor yainge yaiswa rough nekuda
kwekuti cement yaitishotera
ndakamboti kuumwe wangu titore
kubva pane yaayida kuzonohodhesa asi
akarambisisa ndakazomunzwisisa
mushure mekunge anditi
"hatingashandise Mari iyoyo Orna
nekuda kwekuti handizivi kuti
ndinozobata imwe yakawanda kudaro
rinhi Saka ndanga ndirikufunga kuti
kana uchigona uyine simba
tozobatsirana chero tikapedza mwedzi
wese tichizviita iwe wondibatsira
kuchera mvura chete tobatsirana
kuchera kwacho then ndozobhaka
madhina ekitchen patinobhaka
madhina iwayo patichapedza process
yese patinovhura hovhoni yacho
tinobvisa mashoma ekuti titenge chero
four bags dze cement toisisa floor then
imwe tovakisa kitchen then panyaya ye
floor mu kitchen tinozoisisa chidziro
tombochobva takadaro".
Ndakamunzwisisa ndikakuti "Saka
zvekuno hodha zvacho moita rinhi
manje" zvikanzi "kana tapedza
zvekuvaka izvezvi baba Charma
arikutengesa mbudzi yake kuti zvinhu
zvake zvi balance tichipedza kwake
ndomboita zvema dhinha angu
tozopedzisawo pano zvinenge
zvatopera tochizotanga zvimwe
sekuhodha ikoko" ndakagutsirira
musoro zvekutenderana naye pakapera
one room yedu takatenda mbuya na
sekuru Chirasha nekutipa pekurara
ndokudzokera kwedu uko kwatakanoti
iye achirara pachimubhedha chake ini
ndairara pasi taitogarisana zvisina
dambudziko even zveku kissana
kwatakamboita hatina kuzombopindwa
nepfungwa iyoyo zvekare. Mazuva
iwayo taishanda semadhongi chaiwo
iye Purpose ayimhanyidzana nemazuva
eku Easter Holiday achiti ayida vana
Bamunini nana bamukuru vake vawane
ayita ma developments ndaiona kuti
ayiva munhu asingade kuratidza
kukundikana kwake ,vana Mai Charma
vainge vakavakisa ka two rooms kavo
kemarata isuwo two rooms dzedu
pakushandidzana navo dzaizoenderana
ne one room yedu plus kitchen. Nekuda
kwe busy yatainge tava nayo tichiita
zvemadhina tiri vaviri ini na Purpose
ndaitoshaiwa mukana wekunoona
vamwe Kwa gogo Mai Spencer ,kwedu
Kwa Zhou kubva zvakayendeswa
tsvakirai kuno handina kumboita moyo
wekuyendako ndainzwa kusatoda
kuyendako. Rimwe zuva Purpose
akasheedzwa nevamwe baba kumba
kwavo vane kabasa kavaida avabatsire
paakapedza akapihwa kamari kake
kaakasvika kumba achindipa
ndokunditi ndiyende kunotsvagawo
usavi hwurinani Kuma shops
,ndakamusiya pamba ini ndichiyenda
kumashops iye ndikasiya
achigadzirirawo kuti ayende kusango
kwaayinotema huni dzekupisisa
madhina sezvo tainge rasvitsa number
yataida. Ndakati ndadzoka kubva kuma
shops ndakatanga kuchiita basa rangu
ndava kutomhanyidzana nekuda kubika
ndakasiya ndagadzika mvura pamoto
ndokuyenda Kwa mbuya kunochera
mvura adi ndakanowana kusina vanhu.
Pandakadzokera kumba ndakawana
Purpose adzokawo ndokutura chigubhu
changu ndichimuti "Koo watodzoka?"
Ndakamubvunza kudaro
ndichishamisika nekukasira kwaayinge
ayita zvikanzi "kubvepi kunitema huni
here?" Ndikamuti "ehe" iye kwava
kunditi "handisati ndatomboyenda ini
zvatova zvemangwana zvaitika
pawandisiya paye kah ndangoti ndave
kutofamba kuti ndibude sekuru baba
Spencer vachitosvikawo vachinditora
asi izvezvi ndavasiya vese nana sekuru
na mbuya varikwa sabhuku" akadaro
ndichibva ndatogara pamusoro
pechigubhu chemvura chandanga
ndabva nacho kwaiva kugara kwekuda
kunzwa nyaya zvizere ndikamuti "Koo
hanzi chii manga maenda kwasabhuku
kunodii?" zvaitondinetsa nekuti
kwasabhuku kwaisangoendwa zvikanzi
"Bamunini vako baba Dorothy
vasungiswa na maiguru vako Mai
Gilbert" akadaro ndikamuti "heee?"
ndakadaro ndichiratidza kushamisika
zvikanzi naiye "ehe sha kwanzi
vakanetsana nekuda kwekuti baba
Dorothy vakaona kamunin'ina kako
kaye ka Tariro kaine mukomana
kachibva kuchikoro hanzi ivo baba
Dorothy kwave kumuti ayende
nemukomana iyeye" ndakashamisika
nazvo nekuti Tariro ayiva form 1
ndikamuti "urikurevesa here Purpose" .
Ndaingodaro hangu asi kurevesa kwake
ndaitokuona zvikanzi "ndiriku revesa
wani nhai Orna saka hanzi Mai Gilbert
pavakanzwa nyaya yacho kwave
kutevera mwana kumba kwaanga anzi
ayende kwacho hanzi vakatosangana
neveko vabereki vemukomana iyeye
muroad vachitounza mwana kwenyu
Kwa Zhou zvekutoramba kumuchira
hanzi Mai Gilbert vakatovati
musatambise henyu nguva yenyu
muchinosvika kumba ndipei mwana
wangu so vakanomutora ne uniform
yake kudaro vachinanga naye
kumapurisa zvese nekuchipatara
achinotariswa because kwanzi baba
Dorothy vanga vati vavaona vakarara
vese nemupfana iyeye. Saka Mai Gilbert
hanzi vakanzi mudzoke mangwana
kureva nhasi kah , so zvadaro vakati
vadzokera kumba nemwana wavo
vakanonetsana nevanhu vekumba
kwenyu vachidzi varikuvharidzira
misikanzwa yemwana vachinzi ndivo
vaifurira mwana nekuti baba vake
havagari pamba vanenge vari kubasa
plus vachipomerwa kunzi sei
vanomutora saka pakuchinjana
mashoko kwavo kurikunzi ivo Bamunini
vako Baba Dorothy vakazotukirira
zvinyadzi kuna Mai Gilbert. Zvinova
zvakasimudza hasha dzavo ivo maiguru
vako saka nhasi vamukira kudzokera
kumapurisa zvese nekuchipatara
vakanopihwa ma results ekunzi Tariro
haana kumbosangana nemurume
ndofunga vabatanidza mashoko
ekutukirurwa kwavo kwavakaitwa na
Bamunini vako so vachidzokera
kumapurisa vanosvika vachitaura kuti
vekwenyu Kwa Zhou itsika yavo vane
umwe mwana wavakaroodza futi ari
under age kuchibvirwa iwewe saka
manje apa vatozouya vachitorwa
nemapurisa ndirikutoreva kuti
vasungwa baba Dorothy handiti?"
Ndakabva ndatura mafemo ndikamuti
"Saka iwewe wanga wadeedzerwei
nhaiwe Purpose" . Akabva azembera
madziro sezvo taiva panze akagara
pasi chaipo zvikanzi "ok ngatiti wanzi
dzokera kumba kwenyu Orna like
sepatava nenguva yese yatagara tese
nezvese zvataita tichibatsirana kumisa
musha chero tisati tarara tese asi
ukanzi dzoka kumba ungabvuma here
because ini handingabvume hangu kuti
udzokere ndingakutevera zvekuti
ikozvino vanondiramwira iwewe
chiripo" akadaro ndikaona sekuti
zvaisatobuda kuti ndidzokere kumba
kwedu ndikamuti "pindura
zvandakubvunza Purpose ndati Kwa
sabhuku iwewe wanga waenda kunodii"
zvikanzi "ok so zviripo ndezvekuti inini
ndazouya ndichisheedzwa tichiyenda
Kwa sabhuku kwatanowana kuine
mapurisa emuno munharaunda achiti
parikudiwa report yekugara newe
kwandakaita sezvo iri nyaya
yakamboita kuti sekuru baba Spencer
na Bamunini vako varwisane apa nyaya
iyi yavakutoita seirikutangidziswa
nekuda kwe issue ya Tariro saka
tichibva kuno ndanzi ndisvike ndichinoti
ndakakupihwa ndisina chandakakuita
or kukugumha ende pasina chaivapo
pakati pedu. Asi ndakazokubata tatova
tese uye ndanzi ndinyepe kuti
ndakakubata second day wauya kumba
kwedu sekuru vako vasati vadzoka
kubva kumusangano kwavaiva"
akadaro ndikamuti "wanzi unyepe,
wanzi unyepe nani manje apa?"
Ndakamubvunza kudaro zvikanzi "zviri
obvious nana sekuru sha hant
kumapurisa kare paye kuti sekuru baba
Spencer vazobudiswa pavakarwa
nabamunini vako baba Dorothy ndanga
ndatonyepeswa futi kunzi ndakakubata
here statement harichinjwe kah, saka
nyaya iyi hatichatoichinje chero
ukabvunzwa kwanzi ndizvo
zvaunotaurawo kuti takazobatana
watouya kumba kwedu, madhiri aripo
ndeyekuti baba Dorothy varikuda
kusungisirwa kuroodza ma under age
ekumba kwenyu plus nekuzotukirira
kwavakaita maiguru vako zvinonzwika
nevavakidzani pakatoipa asi chokwadi
ndechekuti sekuru baba Spencer ndivo
vave kutoisa push yakanyanya panyaya
iyi vanenge vavekutoshandisa Simba
ravo rehwu counselor manje paye
ndoona sekuti kutyisidzirwa
kwavakaitwa vachinzi vakakutora chii
chii nevanhu vekumba kwenyu
kwakavapinza fear yakanyaya but
mapoints avanga vachipa uko kah
ndaona bamunini vako zvanetsa kuti
vadzoke nekukasika". Akadaro
ndikashaiwa kuziva kuti ndotii
ndaingoingotura mafemo ekupererwa
nekuti ndainge ndatozvigamuchira kuti
ndava mukadzi wa Purpose ndisisina
imwe pfungwa ingava nechekuita
nekumapurisa or kuzogarirwa futi pasi.
*Stay tuned.......*
https://chat.whatsapp.com/KMwD125
G5ieLEm5LyZZawe

https://facebook.com/groups/1018956
279079680/

Pressȱ this link to join our Facebook


page.

*̗ORNAMENT̗*
WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*
*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 19*

"Saka uchadii" akandibvunza kudaro


Purpose mushure mekunge ndave
kungotura mafemo kasingaperi
ndikamuti "kudii pakudii nhaiwe"
zvikanzi "handiti Bamunini vako
vasungwa here pamwe zvandiri kutaura
pano apa hazvisi kukuitira ndoda kuziva
hangu kuti statement randanopa Kwa
sabhuku nemapurisa emuno muraini
ndiro same statement rauchapawo
kumapurisa here kuri kunzi
wazobvunzwa" zveku mapurisa zvacho
ndaisada ndikamuti "Koo isusu tadii
tangosiyana nazvo nhaiwe Purpose
tirikungogara wani" ndakamudaro
zvikanzi "ehe tirikugara asi iwewe life
yatiri kurarama irikukufadza ende ndiyo
yawaishuwira kuzorarama here?". Ipapo
ndakatura mafemo zvekare
ndokuramba ndakanyarara zvikanzi
"pane mudhara wandirikuda kunoona
ndanga ndati ndomuona mangwana
sezvo nhasi ndanga ndichiyenda
kunotema huni saka rega
nditonomuona izvezvi" akadaro
achitosimuka kubva paanga akagara
asi handina kumudaira "upinze demo iri
Mumba" akadaro zvekare ave kutanga
kufamba demo racho anga
akarikumbira kwana baba Charma uye
ndiro raayishandisa pakunotemesa huni
dzekupisisa madhina idzo
dzaayingotema achiunganidza
musango achiitira kuzonodzisenga
nengoro dzaungana pamwe chete.
Abuda kudaro ndakasarawo
ndichisimuka kubva pachigubhu
chandainge ndakagarira kwave
kuchisimudza ndichipinda nacho
mumba kwave kuzodzokera ndichitora
zvekare demo riye kupinda naro
mumba ndichibva ndavhara door
nemukati kwave kuzvikandidzira
pachimubhedha cha Purpose
ndokurara nedivi ndakatarisa
kumadziro , ndakati ndarara kudaro
ndokuzeya mashoko andainge
ndaudzwa na Purpose especially
paakandibvunza kuti life yandairarama
ndiyo yandaida here uye ndiyo
yandaishuwira here ndakazvifunga
ndikayerekana ndayeredza musodzi
ndave kufunga muroverwo
wandakamboitwa naivo Bamunini baba
Dorothy musi watakarasa mombe.
Ndikafunga zvekare muuyisiro
wavakandiita mumusha wekwa
Chirasha ndokuona kuti panguva yacho
ndakashungurudzika zvakanyanya
nekuda kwekuti ndakagariswa
mumusha nemunhu wandaisada uye
zvese Izvi zvainge zvakaitika nekuda
kwekusagona kuzvimiririra.
Ndakadzokera pamubvunzo wandainge
ndabvunzwa na Purpose ndikaona kuti
haisiriyo life yandaida nekushuwira
nekuti tichiri kuyenda kuchikoro taiti
munhu akatizira achisiya chikoro
taiseka zvekuseka zviye especially
tikaziva kuti atiziswa nemukomana
wemunharaunda asingashande
kudhorobha sevamwe vakomana
taitomboita nguva mungava muclass
chaimo paigona kuwana ayinogara
panzvimbo yake otaura zvine majokes
achiti "ndini nhingi ndanga ndatiziswa
kwanhingi ndikadzoka kwanzi
handigoni kubika" joke rakadaro taiseka
zvekurevesa asi kufunga kuti neniwo
kutizira kwangu ndakavawo chiseko
kwakandishungurudza. Ndichikura
ndisati ndapinda mumusha wekwa
Chirasha ndaiti mungava muroad
chaimo ndikasangana nevamwe
vevasikana vandaiziva vanenge
akatizira achisiyiea chikoro panzira
ndaiseka kubva kutauro raanenge
akaberekesa mwana kusvika kubhutsu
yaanenge akapfeka hongu ndaisaseka
zvinonzwika or zvaanonzwa asi
ndaiperera pakutaura ndega ndichizviti
ini handiroorwe muno mumusha mune
mweya wekunhuwa nhamo ,kozoti
vamwewo vechidiki taiwona vachiita
maricho vese murume nemukadzi
mwana ari kumusana or akagadzikwa
kumashure kwendima tichitomboseka
kuti vana nhingi vakasiya chikoro
vachida kuwana kunoita maricho
ekurimira bar re sipo ne two kg ye sugar.
Asi ndakazvibatanidza ipapo ndikaona
kuti vamwe vangu vandaiseka zvichida
vainge vakatanga dzimba nekusada
sezvainge zvakaitika pandiri asi
vamwewo ndivo vataingoziva kuti
vakadzitanga dzimba nekuda
kwemisikanzwa ipapo ndakabva
ndafunga Mai vangu Mai Moment
chaivo rimwe gore vasati vayenda kujeri
vachititsiura pataiseka umwe mukadzi
wemuraini medu anga ayitawo
zvaisekesa panguva yacho ikambova
nyaya muraini asi takati tiri pamba pedu
ndaiva hangu mudiki panguva yacho asi
mashoko avakataura vachinyanya
kuudza mukoma Moment ndeekuti
"usafe wakashora munhu awira
pamuyedzo wausati wayedzwa nawo" .
Ndakafunga izvozvo ndikatanga
kutochema ndichiona kuti Bamunini
vainge vakatokanganisa upenyu
hwangu chikoro ndaigona zviri pakati
nepakati ndainge ndisati hangu ndava
neplan chaiyo yekuti ndaizovei kumberi
kuburikidza nedzidzo asi
ndaingoshuwira kuzova neupenyu
hwurinani hwakasiyana nehwandaiva
na Purpose panguva iyi , zvichida
nemushandiro wandainge ndayita
pakubhaka madhina ndainge ndatova
worse zvekuti panguva yacho
ndaipedza kututa mvura ndaneta
zvekutadza kugeza ndichikwesha
zvakanaka kana man'a chaiwo ayinge
avamo mutsoka dzangu neuhwandu
hwawo. Ndakazvibvunza ipapo
ndikaona sekuti handina remangwana
rainge richakajeka asi zvaitoda kuti
nditevedzere zvandaiudzwa na Purpose
zvichida zvaizotiitira zvirinani , Purpose
akasvika pakudzoka
ndichingozvikuwadza nemufungo.
Takazovirirwa ndichingonzwa kudzikira
mandiri ,zuva rakatevera Purpose
akamukira achinotema huni ini
ndokusara pamba pandakati
ndakatodziya mushana ndokuona
Dorothy achisvika ndakatoshamisika
kuti ayidei asi akandiudza kuti ndaidiwa
kumba baba vangu vanga vakauya
ndakamuti "varikundidii" ndaitozviziva
kuti ndinowana mhinduro yangu
zvikanzi "baba vangu vakasungwa saka
vana bamukuru vese vakauya Saka
baba venyu varikuda kuti murege
kuzotaura zvakataurwa na maiguru Mai
Gilbert kumapurisa" akadaro ndikamuti
"chero bamunini baba Gilbert vakauya?"
zvikanzi "ehe" ndakabva ndamuti "enda
ndichatevera" zvikanzi "tanzi tidzoke
tese" ndakamuitira hasha ndikamuti
"iwe enda ukoo unoda kudzokera neni
kupi ndiwe wakambouya neni kuno
here" akabva atoita searamwawo
kwave kufambisa zvechiramwa
achidzokera chero gedhi akasiya asina
kuvhara , Purpose ayinge akazopedza
kusosera yard kwave kuisa gedhi
raakasunganidza matanda,zvipikiri
nema wire.
Achidzokera Dorothy ndakasara
ndichisimukawo ndokuita basa rangu
ndapedza ndakageza ndikapfeka dress
rangu raiva tsaru asi raiva reparwendo
kubva pahembe dzandakarongedzerwa
na gogo Mai Spencer kutsoka ndakaisa
ma pumps angu manyowani
andakatengerwa zvekare naivo gogo
Mai Spencer ekuuyiwa nawo nevana
pamwe chete nema pads ,ndapedza
ndakatanga ndayenda kwambuya
Chirasha kunovaoneka asi ndakasvikira
vachigeza vakandidaira varimu
bathroom mavo kudaro ndokubvapo
ndichinanga kwedu Kwa Zhou.
Ndakasvikira pachiratidza
kusawiriranwa kuburikidza nema voices
evanhu vaiva mu kitchen yambuya
munova ndimo mandakano svikirawo
ndakasvikira mhuri yese iripo baba
vangu vanga vakauya vese nemukadzi
wavo ,ndichingopinda mu kitchen
ndichangogara pasi ndisati
ndamhoresa vanhu Lavender akauya
achimhanya kubva panze kwava
kusvika achimira pa door achifemereka
akati "makadii sisi Orna" ndikamuti
"hesi Lavender uribho here" zvikanzi
"ndiribho ndakuonai tirikuseri uko
kwatiri kutamba fish fish ndikauya
ndichimhanya kunoku" akadaro
ndikaseka ndichibva ndamuti "horaiti
wagona hako munin'ina wangu" Iye
akasekawo achibva adzokera futi
achimhanya kwaanga abva. Tete Concy
vaivapowo vakasara vachinditi "dzimba
dzinodzikamisa vanhu asikana
Ornament chaiye kudzikamira soo
wamhoresa munin'ina wako zvine rudo
wena torai sando dzenyu vamandlovu
vakadaro vakapfumbata chibhakera
vachindipa ruoko rwavo asi handina
kumbotora sando dzacho
ndakangoridza tsamwa ndichiseka
ndikamhoresa vanhu vese vaiva
mumba ,sevanhu vandainge ndasvikira
varipakati pegakava ravo vakabva
vasimudzira yaingova nyaya ya
Bamunini baba Dorothy nekuda
kwekusungwa kwavanga vaita kuchinzi
zvirinani maiguru Mai Gilbert vayende
kuno withdrawer case uye kunochinja
statement vachiti vainge vareva nhema
nekuda kwekutsamwira kutukwa
kwavanga vaitwa ,kuchinzi zvekare
nevanhu mumba imomo Bamunini
yaiva kodzero yavo yekuti
vachengetedze Isu sevana sezvo ndivo
munhurume ayivamo mumusha
madzikoma avo arikumabasa zvikanzi
nabamunini baba Gilbert
"kuchengetedza hakuna kuipa asi kana
uriiwo muchengetedzerwo unoitwa
vana wekuti kuonekwa ane mukomana
onzi takuranai ini hangu as long ndiri
mupenyu vangu vana vasiyei chero ndiri
kure navo ndichakumbira Kuna musiki
kuti vandichengetedzere nekuti
ndichishanda kudai ndirikushandira
vana ivava uye ndinotarisira kuti vave
neremangwana ravo rakajeka,
zvanakira kuti tese tine vana vasikana
Iye ngaamirire vake vakure ava
azovaroodza ini vangu vana tambirai
kure navo". Vakadaro Bamunini baba
Gilbert vakanzi nambuya "Saka urikuti
munin'ina wako agare mujeri here nhai
mwanangu" zvikanzi naivo bamunini
"handina kumbodaro ini ndadaro nguvai
plus Isu hatisi mapurisa hatisi ma judge
tinomirira kutonga kwevanaye panguva
ino izvi tirikungoonesana inini izvezvi
handina stress wangu mwana ava
kumba uyu Ornament ndiye anotova
nenyaya irikudariro nekuti arikwa
Chirasha kwamakamuyendesa isu
taisavapo pamakamuyendesa pacho,
Mari yake yetsvakirai kuno
makaigamuchira mukaidya mega isu
tinokwana papi apa?" vakadaro zvekare
bamunini baba Gilbert mbuya vachibva
vaombera maoko zvekupererwa vakati
"zvakaoma zvokwadi kumwe kuzvara
unenge usingazive kuti mwana
wawakasenga 9 months dzese ari
mudumbu umu achazokupandukira
saizvozvi" zvikanzi naivo bamunini
"hapana kupanduka apa kuchirungu
kune chirevo chinoti what goes around
comes around chimwe chokuudza kuti
taste your own medicine" . Vakadaro
zvikanzi na baba vangu "tingaswerere
ngatiitei zvekuti uyu awane kudzokera
kumba kwaabva kuchakachena achiri
masikati kudai" vaidaro vachirevera ini
zvikanzi na Tete Concy "chokwadi
vekwa Chirasha vangatozova
nemibvunzo yakawanda kuti sei
tamusheedza kuno" zvikanzi namainini
Mai Lavender "zvine basa rei handiti
awuya kumba kwavo here nhai
veduwee" vakadaro zvikanzi na baba
"Bamunini vakasungwa handiti
urikuzviziva kah Ornament?"
Vakandibvunza kudaro ndikati "ehe"
zvikanzi "Bamunini varimumaoko
emapurisa nhasi nekuda
kwemisikanzwa yenyu imi yamunenge
muchiita muchizviona sekunge makura
pavanokutsiurai movajairira muine
pfungwa yekuti havasi baba venyu asi
hatirarame tichidaro baba ndi baba
ndingava ini vangava Bamunini vari apa
ava kana kuti vangava ivo Bamunini
baba Dorothy ndizvo kah?"
vakandibvunza kudaro ndikadaira
zvekare kuti "ehe baba". Zvikanzi "sezvo
Tariro avakuno kumba iwewe ndiwe
wasara kuita zvekuti Bamunini vabude
uye vadzoke kuno kumba nekuti
zvichaitika ndezvekuti mapurisa
anogona kuzouya kuno ku village
vachikubvunza saka chimbotiudzawo
kuti uchadiiwo kana kuti urikufungei
zvinechekuita nekuti Bamunini vadzoke
kumba" mabvunziro avo akandibhowa
nekuti Bamunini baba Dorothy vacho
ndainge ndakutonzwa kuvavenga
"mhama vangu makavasungisa wani
varimowo mujeri saka tangai maitawo
zvekuti vabude inini ndigobudisawo
Bamunini" ndakadaro vanhu vese
vakakatyamara vachinditarisa
zvekushamisika "atouya kuno
awudzirwa mashoko iwaya" vakadaro
mbuya zvikawedzera kundibhowa
ndikati "kuudzirwa nani
pamakandiyendesa Kwa Chirasha
maifungei inini mhama vangu
ngavatange vadzoka ndokuti naivowo
Bamunini vadzoke pasina izvozvo draw
draw six na nine" ndakadaro bamunini
baba Gilbert vakaseka zvikanzi nababa
"bamunini nguva yamurikuseka
haisiriyo" baba vairatidza kutsamwa
ndikavadaira ndiri ini ndikavati
"pandakaendeswa Kwa Chirasha
hamuna kumbouya kuno kunonzwa
nyaya zvizere sezvamaita izvezvi wani
asi makangoti musiyei ariko hanzi
ndizvo zvamakataura paphone apa
ndakayendeswa zvekumanikidzirwa asi
nhasi ndipo pamakuda kuuya
muchindiudzira zvekutaura handidi"
ndakadaro zvikanzi na mainini Mai
Dorothy "haunzwirewo vanin'ina vako
tsitsi here nhai Orna" vakadaro
vakarereka musoro zvine kuda
kunzwirwa urombo ndikavati "inini
namukoma Moment Mai vedu
pavakasungwa hapana akatinzwirawo
tsitsi wani?" . Zvikanzi nababa "iwe
ukati uri mwana wangu chaiye here iwe
urimunhu rudzii iwee?" Ndakabva
ndasimuka nekubhowekana kuti waiva
mubvunzo rudzii ndakafamba
ndichiyenda kudoor kuti ndibude ndikati
"handisi mwana wenyu ini nekuti dai
ndiri wenyu dai makandichengeta asi
nhasi ndiripano nekuda kwekuti
handitorina baba" vanhu vese
vaingobusisa mazwi zvekushamisika
nemashoko angu zvikanzi nambuya
"uyu mwana akapanda chirimo chaiko
muromo wake unobudisa mashoko
akaipa chaiwo poison kana kwaari
hameno vakagara naye sei" ipapo
ndainge ndakotama padoor
ndichitopfeka ma pumps angu
"hapatoite pamuromo pake Ornament
chero ndikasheedzwa kunzi Tete huyai
mugadzirise nyaya dzemuzukuru wenyu
kwaakaroorwa handina
chandinonogadzirisa ndinongonomuti
senga mabag tidzokere kumba
muzukuru, nhaimi kubva ayita sekuti
hatisi hama dzake kudaro chiiko
kuonererwa nemarriage here Isu tese
tirimo wani asi tinoziva dzinza redu
nekwatakabva" vakadaro Tete Concy ini
ndainge ndapedza kupfeka ma pumps
angu ndikavati "neniwo futi chero
ndikanzi enda unosheedza Tete vako
handitombotambise nguva yangu
ndichisheedza imimi munoda
kuzogadzirisa yangu imba yenyu
mapedza nayo here ndizvo zvakakupai
kuroorwa nezimurume rakamitisa
Uzumba Maramba Pfungwe yese
pamuchaita vana venyu muzovaudza
kuti vasaroorwe kana kuroora muno
because vachapedzisira vave
kuroorana hanzvadzi ne hanzvadzi"
ndakavadaro zvikanzi "unodzokera
kumba kwako watonhorerwa
ndakukwatura wazvinzwa ndinokurova
zvekuti hauzombodi futi kuona gedhi
repano" ndakabva ndavati "simukai
ndiku kinditsei izvezvi handitomborina
basa nekuriziva gedhi repano ini
because handina changu vanhu
vepano makandidzinga mukandirasirira
Kwa Chirasha, Mai vangu namukoma
vangu varimujeri saka pano ndovingei
chero ndikanzi ndarambwa ndadzingwa
Kwa Chirasha ndingatotevera variku
Jeri ndonogara navo hee kundirova
kundirova ndotokuremekedzai kuti muri
Tete vangu pasina izvozvo
ndinokufonyorai nezvibhakera
mukanomukira kwa Chipwaka uko"
ndiro raiva Zita rechipatara
chemudhuze nemunharaunda yedu
Chipwaka clinic,panguva yese iyi sekuru
Zhou vaivamo vakanyarara kuti ziii
"ufambe zvakanaka muzukuru" ndizvo
chete zvavakazongotaura ndikati "ehoi
sekuru" . Vamwe ndakatovanzwa
zvimwe zvavaitaura vakasara
vachitaura zvavowo even Tete Concy
ndakavanzwa vachisheedzera
zvekunditukirira asi ini ndainge
ndotopindurawo ndichifamba
kudzokera kumba vese ndakasiya
vachibvumirana kuti mashoko andanga
ndataura ndainge ndaudzirwa hameno
vairevera kuudzirwa nani .

Ndabvapo handina kuda kuzonanga


kumba ndokunanga kwa sekuru baba
Spencer ndichinovaudza zvainge
zvaitika ndakawana vese variko
pandakavaudza sekuru vakatanga
kutopopota kuti vanhu vekwa Zhou
vaisava neright yekundiudzira
zvekutaura because vanga
vakatovhiringa life yangu "vari sa Tete
Concy ndaida kutosiya ndatiburana
navo" ndakadaro zvikanzi naivo sekuru
"ayewa izvozvo hatizvikurudzire
zvekurwa nekuti upenyu ivhiri
rinokunguruka remangwana harina
chezivo ungagona kuzovada kana kuda
rubatsiro rwavo pane dzimwe nguva"
zvikanzi na gogo Mai Spencer
"chokwadi muzukuru ini hangu I can
advice you kuti it's better to distance
yourself from them mozosanganiswa
nezvichakusanganisai zvacho nekuti
zvokwadi mukaramba muchionana
kudai nemamiriro akaita zvinhu
mungzazo gumisira pakati penyu
paitika zvisirizvo, hongu tingagona
kuda kukuti ihama dzako fambidzana
navo but kunesu vekunze tinotoona kuti
maitiro avo haafadzi vanovaka asi
vachiputsa havasi right" ndakateerera
mashoko avo ndakambogara
ndikazoenda kumba kwangu kuma time
time asi ndakatobvako ne beans
dzandainge ndapihwa naivo gogo
dzandakanosvika ndichigadza pamoto.
Kwa mbuya Chirasha handina hangu
kuzodzokera asi Purpose paakadzoka
kubva kunotema huni ndakamuudza
zvainge zvaitika akangonditi "Nyaya
dzacho dzinonetsa idzi Orna i think
ngatisiire vanhu vakuru" takawirirana
izvozvo asi mangwana zuva rakatevera
kuseni ndichitopedzisa basa repamba
Iye achinditsemurira zvihuni kuti
tibatidze moto takaona ku gedhi
kuchipinda sekuru baba Spencer,
sekuru Chirasha, na Chairlady
vemunharaunda medu kusanganisira
mapurisa maviri ayinge akapfeka ma
uniform hana yangu yakarova
zvakaonekwa na Purpose akanditi
"usavhunduke Orna zvandakakuudza
ndizvozvo takarwadziwa ende
takarwadziwa tikapora zvekutoti ini
handingabvume hangu kuti tisiyane
Sha" . Handina kumudaira ndakatosiya
zvandayiita ndave kugadzirira
kugamuchira vaisvika zvisineiwo
vakasvika tikakwazisana zvakanaka asi
havana kumbogara pasi sezvo isuwo
zvekugarira zvacho taisava nazvo
umwe mupurisa wechikadzi ndiye
akatibvunza tikangotaura same
Statement Iye achinyora pama papers
ayaiva nawo, vari sa sekuru baba
Spencer ndivo vaiva pamberi
kunongedzera nekutsanangura vachiti
"honai zvavarikuita pano pamusha
nezera ravo iri madhina ese iyaya
varikuita vega hazvisirizvo zvaiva
pamoyo yavo izvi zvichidawo
mukomana iyeyu ayitovawo nechiroto
chekuzoshandawo otenga mansion
kuchirungu same nemusikana yenyu
zvichida ayizopedza chikoro oyita
mistress asi vekumusha kwake
vakandityisa vaida kudii kundirovesa
nemheni here marabishiii ndati
marabishiii, dai mapurisa epa police
station apa vakanditora serious dai
ndakamutora zvichakanaka muzukuru
wangu uyu but nekuda Mari yechiko
muhomwe vakanditsikirira vachiti
ndakayenderei kunorwa mumusha
mevanhu, handina kusvika nehondo
Kwa Zhou ini asi iye muchinda uye
ndiye akatanga kundirova nechidhina
vaida ndidii ndirohwe ndorega
kudzosera?" Mutauriro wavo
wakatotiudza wega kuti aya ayiva
mapurisa abva kumberi pasiri pa police
station yekwedu. Vapedza kutora
statement vakabva pamba pedu
mapurisa aye sekuru baba Spencer vari
ivo vaiva pamberi kutaurisa isusu
tasara zvikanzi na Purpose "thanks Mai
Mufundisi Chirasha ndafara kuti
ticharamba tiri tese kana
uchizobatsirwa kuti uyenderere mberi
nechikoro zvirinani uzodzidza uchibva
pano" akadaro ndikamuti "iyii kuchikoro
kupi ikoku kwandaidzidza here iyii
handidi ndingatotsvaga vanoitisa hangu
ma extra lesson iyii ndingasanzwa
nekusekwa nevamwe here kunzi
tirikudzidza namai" takabva taseka
,takazoyenderera mberi nenyaya dzedu
iye ndokubatidza moto ndichibva
ndabika takati tapedza kudya
ndokuyenda kuhovhoni yema dhina edu
sezvo iye Purpose ayinge asati apedza
kuyironga. Masikati ndakambodzokera
kumba tichinozorora tikazodzokera
zvekare kunosimudzira zuva rarereka
kwave kutonhorera asi takati tiriko
Edmore akabva asvikawo akatanga
kubatsira kukandawo zvake zvidhina
tichiseka vachitaura Nyaya dzaisekesa
namukoma wake ,asi takazoona mbuya
vangu vekwa Zhou vasvika ndisati
ndavamhoresa vakatanga nekuti
"urinyoka Ornament unozvinzwa kah
ndinokupikira mamai vangu muyera
shwindi varipavhu apa mwana wangu
akawana chinomuwana kujeri kwaari
uko handife ndakakuregerera urinyoka
mwanana ane moyo wakasindimara
sewe kunge munhu anoziva kugadha
rusero nevaroyi usiku Satan
ndinokurova izvezvi wakajaidzwa
zvisina basa...." Vakayenderera mberi
nekupopota zvairatidza kuti mapurisa
achibva pedu akayenda kwavo. Simba
rekuvapindura mbuya vangu
ndakarishaiwa mashoko avakandiudza
ndakanzwa kutya nekuremerwa mandiri
vakapopota vachinditukirira zvekuti
vamwe vavakidza vakange vamira mira
vachitarisa kusvika mbuya Chirasha
vauya pavakada kuti vatsiure naivowo
vakapindurwa rough ndofunga
zvakavabhowa vakati "ayewa kah
mbuya Zhou uno musha ndewekwa
Chirasha unotongwa nevaridzi wavo
ivhu ramakatsika nderemusha
wemwana wangu arere kumakuva uko
asi hazvikupei simba rekuuya muchiita
zvamunoda nekuti haapo kujairira kuti
ari muvhu here ,takurai muzukuru
wenyu munomutukira kure nemusha
wangu imhepo rudzii dzamurikuti
kokera muno mumusha makatipa
mwana tikamugamuchira sei mava
kuda kuzviita sekunge makamusiira
nechimwe chinangwa chisinei nemba.
Tinogona kuyatevera mapurisa iwayo
tikanovaudza kuti mauya neruzha
mumusha uno" vakapopotedzana asi
Mbuya vangu vainge vopopota
vachibuda mu yard medu vamwe
vevavakidzani ndivo vakasara
vachishora hunhu hwainge hwaitwa na
mbuya vangu ,vamwewo ndivo
vakasara vachitaura zvekundinzwira
urombo zvakandikurira kwave kufamba
ndichiyenda kuruvanzi
kwandakanosvika ndichipinda mumba
nekuto chema kupfikura chaiko,
Purpose akazoteverawo pave paye
akasvika achiti "Rega kutora mashoko
ambuya vako uchimaisa pamoyo Orna
maybe varikungotsamwa plus
kuvhundukira Bamunini vako vari
mukati" akazama kundinyengetedza
kusvika ndave kutoseka. Mazuva
akafamba tazongoudzwa kunzi nyaya
dzaizopedzwa nevanhu vakuru uye
tanzi isu hatina pataizokwana kwana ,
hovhoni yemadhina edu yakazobudirira
kupiswa pakapedzwa kucherwa
fountain ye kitchen yedu Easter Holiday
yainge yasvikawo ndiwo zvekare
mazuva ayinge oyenda vana Purpose
kuma trainings avo ebhora everyday
asi pavayienda Ku game chaiyo
yainotambirwa Kwa Maramba ward 5
vayiuya kunotorwa ne lorry asi
ndakarwadziwa andirambidza kuyenda.
Musi wacho akayenda hake asi ini
ndakaswera ndakamudhura ndaiva ne
BP dzekurambidzwa kuyenda kubhora
ndasara pamba kudaro ndine nguva
dzandakazobuda panze ndichida
kunochera mvura asi ndakazoremerwa
ndaona mota mbiri dzakatevedzana
dzaipinda pa gedhi rekumba Kwa
Chirasha ndikaziva kuti vedhorobha
vauya ndakakasika kudzokera mumba
ndokunozvivharira door
zvakandiremera kuyenda ndega
kunokwazisa vanhu apa ndainge
ndonzwa kutya zvese nekunyara kuda
kwaiva kuvhunduka mota hameno asi
ndakangozviudza kuti ndaimirira
Purpose tozoyenda tese, kunze kwati
svibei ndipo pandakabuda Mumba
ndavekubatidza moto uye kuita
zvekubika asi ndakati ndavekutopedza
ndidzo nguva dzakasvika Purpose
akasvika ndakagara mumba. Ayioneka
kuti ane mufaro pandakamubvunza kuti
chii akabva anditambidza plastic bag
raiva nema buns ,ma biscuits nema
banana uye jersey rebhora rairatidza
juva nyowani ndikamuti "koo wauya ne
uniform here kasi wakanganwa kuisiya
koo wakapfeka rimwe jersey futi wani
apa akasiyana colour?" ndakadaro
ndichi compare randainge ndakabata
neraanga akapfeka Zvikanzi "ndeedu
ma Jersey iwaya iroro ndorako
ndayapihwa kuchinzi ndeangu ese, Koo
handiti kwatayenda kwanga kune
musangano wanga uriko here so
ndagohwesa mashoots three
kakatevedzana ndasimudza chaunga
Sha kumadhara madhara mamwe aye
aye ndipo pazongoitawo mumwe
anakirwa nekutamba kwangu akatonditi
arikundida kuteam yake yeku ward 6
but ndichatopihwa something apa
izvezvi ndabvako ndatova captain kah
hona" akadaro achindiratidza paruoko
rwake chi elastic chehwu captain
chacho zvikanzi "handisi kuziva kuti
ndoramba ndichikuti Mai Mufundisi
Chirasha here kana kuti ndongokuti
mukadzi wa captain" ndakangoseka
hangu Iye ayiratidza kushaiwa zvekuita
nemufaro ndakabva ndamuti "fara hako
asi I think vanhu vekumba kwenyu
vauya ndaona mota mbiri dzichipinda
pagate" zvikanzi "yatotanga nhamo
yangu yekutongeswa nekugarirwa pasi
haah Ini this time ndozviramba zvese
izvozvo ini Sha because ndirikungozvi
raramira wani saka chandingada kubva
kwavari now chii hapana" .

*Stay tuned.......*

https://chat.whatsapp.com/KMwD125
G5ieLEm5LyZZawe

https://facebook.com/groups/1018956
279079680/

Pressȱ this link to join our Facebook


page.

*̗ORNAMENT̗*

WRITTEN BY

AUTHORESS
PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*


*Chapter 20*

Nemaziviro andayiita mapopotero


ambuya vake Purpose nezvaayitaura
ipapo ndakaona zvisingandiitiri
ndikamuti "Koo ukazoita zvisirizvo
hauzopopoterwe nambuya vako here
ende futi chinonetsa ndechekuti
vanozotanga kupopotera tese"
ndakamudaro zvikanzi "haiwee
shamwari takatukwa nevakawanda
kakawandisa futi hazvichisiri
zvinyowani kwatiri ende hazviite kuti
tirambe tichiitiswa zvatisingade nekuda
kwekutya kupopoterwa hah kwete
Ornament sha izvozvo hazvibudi".
Ndakaona kuti hapana chandaigona
kumuudza akanditeerera ndikangomuti
"iyii horaiti tinozongoona" zvikanzi "ehe
ziva zvekudya mazi buns nema
biscuits" mutauriro waakazviita wakaita
kuti ndiseke ndikati "kudya ndirikudya
hangu asi zvaunoita zvinobhowa hako
Purpose wandirambidzirei kuyenda
kubhora which means pane munhu
wawanga unaye akakosha kudarika
inini ndizvo kah?" ndakadaro
ndichinyepera kutsamwa iye haana
kundipindura akaramba akanditarisa
achiratidza seayida kuseka kwave
kubaidza torch yephone yake
akandivhenekera kumeso zvakaita kuti
nditange ndega kuseka ndikamuti
"ukwane handisi kuzvida" ndakadaro
ndichiruma buns zvikanzi "kumwe
kufungira zvisina basa hakuna
kumbokufitai henyu mukadzi wa
captain" inini ndakabva ndamuti "iyii
ndiri Mai mufundisi ini" . Ndaida
kungopikisana naye chete zvikanzi
"chero zvaurikuda zvacho ita izvozvo
because mufundisi vacho ndivo futi
captain Saka chirikunetsa chii unoda
kungongodzwa musoro uyu kuti nharo
dziite shoma" akadaro achiseka asi
achida kutondingongodza zveshuwa
ndakamudzivisawo mukuseka kwedu
ikoko iye kwave kudzima paraffin light
redu ndokusiya torch ye phone iri onn
kwave kuyiadzika payaikwanisa
kuvheneka imba yese zvikanzi "nhasi
ndirikunzwa kuguta hangu wanga
watopedza kubika here" akandibvunza
kudaro ndikamuti "waguta wadyei...ehe
ndangandatopedza hangu handei tese
kunotora poto panze" yaiva poto
yesadza yandairevera sezvo yemuriwo
ndainge ndaisa kare mumba "gara hako
ndinokutorera" akadaro ave kutobuda
zveshuwa akanotora ndokudzoka
nayo,akadzokera zvekare nechi bucket
chemvura yekunodzimisa moto.
Paakadzoka Mumba akasvika achigara
pachimubhedha chake zvikanzi "Saka
pandakusiya wakatsamwa wazodii
manje wasara ukachema here kana kuti
, asi iwewe urikuona zvichiita here
zvekuti unoramba uchitevera kubhora"
akandidaro achirara akatarisa mudenga
uku achigadzirisa chi pillow chake
ndikamuti "zvine basa rei zvekuti
ndiyende kubhora Saka pa
independence ndichadii" ndakabvunza
kudaro sezvo Musi wacho
vaizotambira pa ground rekumaraini
kwedu. "Zvemusi we independence
zvinonzwika ende zvinoteerereka
because ririkutambirwa pedu
chandaramba ndechekuti kwese
kwandayenda unoda kuyendawo
izvozvo hazviite" ini nekumuzivawo kuti
kana ataura anenge asingadi zveshuwa
ndakabva ndangomuti "horaiti
ndazvinzwa Purpose" zvikanzi "kana
wazvinzwa nhasi uwuye tirare tese
pano" mutauriro wake waakaita ipapo
wakaita kuti ndinzwe kunyara ndikamuti
"iyii ukwane" akabva aseka hake ini
ndainge ndasimuka ndavekuita
zvekupakura sadza iye akariramba
ndikadya ndega ndapedza
takambotandara tichitaura nyaya
dzakasiyana siyana ndakazowaridzira
pangu kwave kurara.

Kuseni ndakamukira kuita mabasa


angu epamba pakunochera mvura
pakandiremera kuyenda ndega sezvo
kwaiva nevayenzi ndakaudza Purpose
ndichida kunzwa kuti ndodii zvikanzi
"takura chigubhu chako inini nditakure
changu tavakutongo batanidza zvese
kunochera mvura nekunomhoresa
vanhu" zveshuwa ndakabvisa mvura
yaiva munechimwe chi gubhu
ndichiidurura muchi bucket kwave
kumutambidza chigubhu chake ini
ndokusunga zambiya tikabuda mumba
medu ndiye akavhara door
ndokudungamidzana tichiyenda
kwambuya taitaura hedu nyaya asi ini
ndainzwa kunyara nekusagadzikana
mandiri tasvika kwambuya takawana
vanhu vamuka muka asi takananga ku
kitchen sezvo ndiko kwaiva nevamwe .
Tasvika pa kitchen Purpose ndiye
akatanga kugadzika zigubhu rake pasi
ini ndokugadzikawo rangu padivi
nerake kwave kupinda mumba
ndikaona vanhukadzi vaivamo ari ma
new face kunze kweya mbuya Chirasha
nekusavaziva ikoko vanhu ivavo
ndakapfugama ndokuvamhoresa vese
one by one mumaoko ndapedza navo
ndipo pandakazoti "mamukasei mbuya"
ndaimhoresa Mai Chirasha zvikanzi
"ndamuka muzukuru wangu
kwamukasei kumba kwenyu uko"
ndikati "kumba kurinani tambomuka
hedu" Purpose akabva amhoresa vanhu
vaivamo ndipo pandakaziva kuti paiva
namai Prog nevamwe vaayiti Tete
zvekare uye vamwe vaviri vaivamo
vaiva Mainini na maiguru vake "Koo
zvawakura nhai mwanangu matova
baba kaimi" vakadaro Mainini vake iye
akangoseka. Mbuya Chirasha ndivo
vakazopa ma introductions chaiwo asi
ndainzwa kuti ndirikutariswa ende
kutariswa ikoko kwakandisiya ndisiri
comfortable , ndakazonzi nambuya
ndisimuke ndinoona vana baba
takasimuka tese naivo mbuya vacho
kusanganisira na Purpose tikayenda
kuimba hombe kwatakanowana vana
baba vacho vaviri vachitonwa doro
vachitaurira nyaya uye vaiva nababa
vavo vaChirasha takavakwazisa asi ini
ndakazobudamo nambuya
ndichidzokera ku kitchen Purpose ndiye
akasara. Taveko ku kitchen mbuya
vakanditi "nhasi mouya muchiswera
kuno nevamwe kah nhai muzukuru"
vakadaro ndikavati "horaiti mbuya
ndinouya" takawirirana izvozvo mumwe
wangu akazouya kwave kuchera mvura
yedu takati tave muroad kudzokera
kumba akabva anditi "tikasvika kumba
ndirikukuperekedza kumashops
wonogerwa mutarisirwo wawanga
uchiitwa nevanhu mu kitchen hauna
kundifadza maybe varikutoona sekunge
handisi kugona kuzvichengetera
mukadzi" ndakaona sekunge naiyewo
anongogara akabhipa kana awona
vanhu vekumba kwavo ndikamuti
"kunditarisa vanga vachinditarisa
mumusoro here?" ndakamudaro
zvikanzi "vanhu vanongotarisa zvese
Orna inini ndini ndinotozongoona
panenge pachida kugadziriswa pacho"
akadaro ndikangomuti "horait toyenda
zvagara bvunzi racho rakurawo haro
roda kubviswa zveshuwa" apa kwaiva
kuronga nekuda kwekamari kaanga
andiudza patayienda kunochera mvura
kuti vakawana kamari kavo vakasheya
kubhora. Apedza kutaura nyaya yake
yekuti ndinogerwa inini ndipo
pandakazomuudzawo yangu yekuti
mbuya vanga vati tiuye kunoswera
kumba nevamwe zvikanzi "anenge
azoda kukubvunza zvisina basa
usamirire izvozvo unongopinda muroad
uchidzoka kumba" ndakashaiwa kuti
hasha dzaayiita ndedzei zvakandipa
kusamudaira.Takangosvika pamba
nekuisa zvigubhu zvedu mumba iye
ndokutora mari tikananga kumashops
uko kwatakanosvika ndichinangwa neni
paigerwa iye Purpose ndiye nyakutaura
zvaayida ndigerwe akati ndiiswe ladies
cut kwave kuiswa zvima lines zviviri
mumusoro yaitova style yakanaka
yakadaro. Tapedza akati tiyende
nekumusika paingova nemisika miviri
yaitengeswa hembe nezvima plastic
shoes tichitofamba kuyendako
ndakatanga kupikisana naye kuti
tisayende sezvo ayinge ati anoda
kunditsvagira skirt or dress nyowani
ndakatoona kuti kwaiva kuzvipa
pressure yekuda kuratidzira kumba
kwavo inini ndaipikisa zvekumurambira
kutenga ndichimuti titenge zvinhu
zvekumba sezvo chikafu ndicho
chatayiona chakakosha kuti chivepo
pamararamiro edu ne situation yedu ,
asi iye aka kakawo nharo takatozosvika
pamusika wacho tisingawirirane
tasvika akamhoresa vatengesi vepo
vakamudaira zvakanaka iye ndokuti
"ndauyawo namai vekwangu ava
ndirikuda muvapewo skirt or dress
ndeipi ingavafita apa" zvese Izvi
zvayiitika ini ndakanyarara
zvekumudhura ndakatosunga muromo.
Mai vepamusika wataiva vakabva
vasimuka kwave kutanga kumuratidza
ma skirt ayivapo nema prices awo "iyi
unokwana iyi Orna" akandidaro
achinditambidza imwe yandakatoona
kuti ndiyo type ye cheapest price pama
skirt ayivapo uye ndiyo yaiyenderana
nemari yedu ndakagamuchira
ndikamuti "ndoda hangu ye red" anga
anditambidza ye green kwave
kudzosera akatora yandaida
ndokubhadhara tikafamba tichibvapo
tave kuyenda kumashops ema
groceries paingova nema shops matatu
nebhawa rimwe sezvo ndiwo ega
ayingova mashops emuraini medu
ndipowo zvekare paiva nembiri. Tisati
tanopinda mushop matayienda
takambomira Purpose achitaura
nevamwe vakomana vaviri vaizivirana
navo pakutamba bhora kwavo sezvo
vainge vangosanganidzana pama
shops ipapo vapedza kutaura ndipo
patakanopinda mushop taiti tikapinda
iyi tobuda topinda muneimwe
kurikuzama kutsvaga ma prices ari nani
sezvo Mari yaiva yekutswinyidzira
takazotenga twaikwana pamari yedu
ndokudzokera kumba. Takatanga
tabika ndokudya tapedza takageza
zvekugadzirira kuyenda kwaiva
nevamwe asi ndakati ndapedza
kuchinja pandakamusheedza kuti
adzoke mumba akasvika achirara
ndikamuti "Koo hatichayendi kasi?"
zvikanzi "enda ndozotevera time time"
ndakaona sekunge ayisatoda kuyenda
kwacho iniwo nekuda kwe skirt nyowani
plus ma pumps andainge ndichangobva
kutengerwa na gogo Mai Spencer
zvichizoda nekugerwa kwandanga
ndabva kunoitwa ndakawana simba
rekuda kuyenda kutonoonekwa "nhasi
handisi kubuda Saka takura phone
wonoichajisira ikoko" akandidaro
Purpose sezvo kubva zvatakabva
kwambuya tave kugara kwedu ayinge
asisachajise phone yake ikoko pese
pese ayinge oyichajisira kumashops.
Ndakatora phone ndokubuda ndasvika
pagedhi rekupinda kwambuya
ndakawana Prog na Tildah vakamira
vese "magerwa kupi nhai gogo Orna
ndoda kutonogerwawo ini iyii munhu
anogona uyu magerwa mababa Noku
here?" akandibvunza kudaro Prog ipapo
akatondibvunza zvakanaka ndikamuti
"ehe ma baba Noku asi neumwe
mukomana asiri ivo baba Noku"
zvikanzi "iyii ndichatoendawo anogona
uyu" ndikamuti "iribho" zvikanzi "ende
nhasi makachena" zvakandipa kuseka
asi ndakaona Tildah achinditarisa from
top to bottom akati "tozobatana Prog
sha ndasiya T one akandimirira
angatozodhiniwa muface wangu
asikana" ndakaona kuti kwaiva kutaura
zvine kuda kundisvotesa zvekuda kuti
ndizvizive kuti ava nemumwe
mukomana asiri Purpose ende T one
ayirehwa ayishanda mu shops yepama
girosa pedu ipapo achitoshandawo
semutengesi. Ndakavasiya
vachitaurirana ini ndave kunanga
kwandayienda apa zambiya ndaiva naro
mumaoko ndichingosvika pa yard
mbuya vaibudawo mune imwe imba
vakati "zvaunenge wauya wega koo
mumwe wako arikupi?" kuti nditaure
kuti ndamusiya akarara zvakarema
ndikavati "ati anotevera pane
zvaarikupedzisa kuita" ipapo
ndaitofamba ivo vachifambawo kuuya
kwandayiendawo tichinisangana pa
kitchen ini ndokumira ndichivapa
mukana wekuti vatange ivo kupinda
zvikanzi "aah nhasi wakageza chaiko
kuita kupenya idzo shangu neskirt ndi
Purpose akakutengera here zvinyowani
Izvi" ndakangoseka zvekunyaririrawo
ndikati "ehe ndiye" ikadairirwa
nevamwe Tete vake iye Purpose vakati
"iye kunaka akanaka hake mukadzi
wemuzukuru wangu unozongoonawo
kuti pane zvirikushota otherwise
akagarika mushe mushe chinoita
kubatana chaiko" pakunzi chi ndaiziva
kuti ndirimupfupi that's why vakataura
vachiti chinoita kubatana chaiko
"kunaka akatodza Mai vake , Mai
Moment wakanaka zveuya chero
kupfupika ne structure ndimai straight
kutsvukirira ndiko kwaakazotora kuna
baba vake" vakatanga kudairirana
sezvo vana tete vake Purpose vaizivana
nana baba vangu and my mom
pakukura kwavo. Takati tapinda mu
kitchen maiguru namainini ndivo vaiva
busy zvakanyanya kumapoto ndichibva
ndamonera zambiya rangu
ndikatangawo nekubvunza pavaida
kubatsirwa napo ndokuratidzwa
ndikatanga kutobatsirawo vanhu
vaitaura zvakasiyana siyana pamwe
pacho ndichimbobvunzwa zvine
chekuita nekumba kwedu "Koo
zvaunenge usati wava kusvipa svipa
wani nhai muzukuru wangu kasi
zvirikuramba here kana kuti
zvirikunetsa kwanzii na Purpose"
ndimai Prog vakandibvunza kudaro asi
mubvunzo wavo hauna kundiitira
zvakanaka ende havana kundipa
mukana wekupindura vakabva vatanga
kudairirana nevamwe vavo
vavekutotaura zvine chekuita nehwu
stubborn hwa Purpose vachiti zvimwe
ayindishusha kuchinzi stress chaiyo
yemunhukadzi inokonesa mimba
kubata "chero nzara chaiyo vanenge
vane chikafu here kumba kwavo ikoku"
vakadaro maiguru vake Purpose nyaya
dzavo dzaibhowa ende musi iwoyo
ndakatanga ndichiti ndikubatsira
zvekutumwa basa asi
ndakatozoshanda chaiko. Ivo vainge
vazorora ndichingonzi muzukuru ita izvi
muroora ita chakati chero vanhu
pavakapedza kudya ndakarisuka ndega
gomo rema plates Prog nevamwe vana
vepo vanga vauya kubva kudhorobha
vakatobuda vachena chena vachiti
vayienda kumashops ini ndakasara
ndikapedzisa gomo rangu rema plates
nemabhodho sezvo panga
pakawandwa ndapedza
ndakanogarawo mu kitchen nevamwe.
Purpose kana kumbobudikira chero
kutevera haana mbuya vake
vaingobvunza ini ndichingovati ati
anouya pamwe pacho vodairirana
vachitaura zvekuti Ari stubborn ini
ndakazobvako manheru chaiwo asi Ivo
mbuya Chirasha vakandirongedzera
Plastic paper raiva nezvishuga shuga
zvainge zvakabvira nazvo
nevedhorobha , ndichisvika kumba
ndakawana Purpose achitobuda kubva
mutoilet ndikamuti "hauna kuzouya
wani" zvikanzi "yeah ndatozombonoona
baba Charma this week toita zvekuti
tipedzise kuvaka kitchen iyi then next
week kwanzi tinenge tave kunohodha
otherwise kwanga kurisei
kwamaswera".Akandibvunza kudaro
ndikamuti "vanga vachipopota kuti sei
usina kuuya kune vamwe iyii apa
ndazoshanda sebenzi sha"
ndakamudaro zvikanzi "ndizvo
zvatonditadzisa kuuya izvozvo moyo
wangu waitozorwadza ndichikuona
uchishandiswa kudaro koo ndinovaziva
kah vanhu vangu" ndakangoseka ipapo
anga akamira akanditarisa ndikamuti
"kana kuchena kwangu handina
kutozomboona kwayenda nepi
kwatozoshaiwa value" akabva asekawo
tikasekedzana tichipinda mumba.
Zvemusi iwoyo zvakadarika Iniwo next
day ndakatiza kuzosheedzwa
kwambuya kwave kunoswera Kwa gogo
Mai Spencer , umwe wangu Purpose
akatondiudza kuti ayizobuda achiyenda
ku ground vachinoita ma trainings avo
takazosangana hedu pamba manheru
umwe nemumwe abva kwake asi
patakasangana ipapo akandiudza kuti
pandakabuda ndichiyenda kwana gogo
Mai Spencer iye akasara achisheedzwa
kwa mbuya achiti ayitongeswa kunzi
sei anga asina kuuya kune vamwe.

Takangodairirana zvekusimbisana
hedu ndokuzobatsirana kuita zvekubika
ini ndichibika iye achinditandadza
tapedza ndokudya tikarara ,next day
pandakaenda kwambuya ndichinochera
mvura uye ndichida kunomutsa vamwe
ndakawana pasina kana mota
pakubvunza ndipo pandakaudzwa kunzi
vainge vadzokera ,pandakadzokera
kumba ndakatoudza Purpose
akatosekawo achiti "ndipo paunoona
kuti vamwe vanhu hatina basa
kuvamwe vanhu zveshuwa zuro chaiye
ndaivako navo vanhu vaye asi hapana
akambotaura kuti varikudzokera nhasi"
takangozviseka hedu zvikadarika. Next
day ndiwo musi wakatangwa kuvakwa
kitchen yedu asi musi wayakazopera
kuvakwa mudhuri ndiwo musi
watakapinda musango kunocheka
uswa ,takaita mazuva matatu
tichinoswera musango ini ndichicheka
uswa iye achitema mapango nembariro
pakutanga zvaisava nyore chero uswa
ndaisagona kucheka asi ndiye
akandidzidzisa then first day
ratakatanga kuhwusenga ndakasunga
hwangu ndokuisa pamusoro ndaita
hwekutsiga iye hwake akasunga akaisa
papfudzi muruoko akataura dzimwe
mbariro dzaakakwanisa kusunga.
Takati tichinopinda mumaraini ini
ndainge ndakabata jeko rangu
mumaoko rataichekesa uswa
pakupfuudzana nevanhu vamwe
taingokwazisana vodarikira asi
takazosangana nevamwe vasikana
nevakomana vekwandaidzidza
vachitobva kuchikoro vakatanga
kubwibwinyika kuseka handina kuziva
kuti vaiseka inini here, vaiseka huswa
hwangu here kana kuti vaiseka
zvandaiva zvaisava nyore ndichisekwa
nevezera rangu panguva iyi asi
zvandaiva handina kwandaikwanisa
kuzviisa saka ndakavasiya vakadaro ini
ndichiyenda kwandayienda. Vamwe
vataisangana navo vemuraini ndivo vaiti
tanyanya kusungawo uswa
hwakawandisa dai tasunga zvishoma
zvishoma , takaita zvizuva tichinosenga
zvinhu zvedu tayigona kuyenda katwo
pazuva ini ndainge ndave kusenga
uswa iye achisenga mapango apa taiva
nehope tekuti zvimwe madhina ayinge
asara ayigona kuwana anotenga
totenga mabags ye cement toisa
dzimba dzedu dziri mbiri ma floors but
imba yakasvika pakupera tisina kuwana
ayida zvidhina. Iyewo Purpose nababa
Charma vakabva va delayer kunohodha
nekuda kwekuti vaiti kufamba kwacho
kwainetsera pakuti ma youth
emusangano ayinge anyanya kugarira
kwese kwese ,wakazosvika musi we
independence sezvo mbuya Mai
Chirasha vaiva mu committee yaiwona
nezvekubika chikafu cheve village redu
ndini ndakafana kutungamira kundibata
chinzvimbo chavo chekubika , ward
yekwedu ndipo paiwunganiwa nevanhu
Kubva kunharaunda dzakasiyana siyana
nguva zhinji kana kuine musangano
mukuru seiwoyo weIndependence asi
village rimwe nerimwe raibika chikafu
chavo vakazvimiririra seipapo kwedu
kwakaurawa mbudzi nhatu. Varoora
vekumhuri dzaiva nemambuya vayiona
nezvekubika ndivo vakatungamirawo
kunofana kubika sezvandakaitawo asi
taiva nevamwe vakuru vaitiudza
zvekuita, apa taibikira kuground ikoko
asi kune side raibikirwa pari pasi pemiti
mamwe machembere edu akazotevera
pave paye asi tainge tatofana kubata
basa ukuwo program yanga yatotanga
yaiyitwa pa independence pacho
taingonzwa kuimba nekupururudza.
Takazoti tapedza kubika tisu takatanga
kupakurirwa tichinzi tikapedza kudya
tomboyenda kumba kunogeza
tozodzokawo kune vamwe ,tichipedza
ndakatambidzwa chibucket ndambuya
Chirasha vachiti ndiyende nacho kumba
vakaita zvekundizevezera kwave
kuchiisa mu plastic ndikanzi "ukasvika
unoisa mu kitchen unovhura wotora
chimwe chipape chiri pamusoro
wonoisawo kwako" ndakatoona kuti
zvaiva zvechitsotsi ndakapinda muroad
kuyenda kumba ndichisvika ndakavhura
ndikaona iri nyaya ndokutora yangu
yandanga ndanzi nditore ndiyo yaiva
muchipepa chandanga ndaudzwa.
Ndakananga neyangu kumba kwangu
kwave kusvika ndichibatidza moto
ndikatomboyi boilisa uku ndichiita
zvimwe zvaisanganisira kugeza
Purpose ndakawana asipo zvairatidza
kuti ndanga ndamusiya ku ground
kwandanga ndabva ,pandakapedza
kugeza ndakapfeka skirt yangu nyowani
yandakatengerwa naiye Purpose
kumusoro ndikapfeka Jersey rangu
raakandipa nyowani kutsoka ndakaisa
ma pumps ekwa gogo Mai Spencer
kwave kuisa poto yangu yeusavi
mumba ndokuvhara door ndichidzokera
ku ground. Apa nguva dzainge
dzatofamba ende ndakayenda
ndichifambisa ndikanosvika bhora
richangotanga handina kuda kunanga
kumapoto kwaibikwa kwaiva nevamwe
vangu asi kuti ndakangonanga ku
ground kwaitambwa futi bhora
revakadzi netball asi team yekwedu
taingoziva kuti haigoni Saka vanhu
vaiwandira ku ground revanhurume uko
kwandakayendawo "enda unoimbira
Dady vawane Simba iwe mukadzi wa
Purpose" ndeumwe mukadzi
akandidaro ndikaseka iye
achibatsiranawo nevaayiva navo
kuseka kwacho vamwe vanhukadzi
vekwedu vanga ende vanhu
vaingonditarisa ne Jersey rangu
ndaitonzwa kuti ndakapinda chaiko
ndasvika kuground revarume
ndakamira kuside rekwaiva nema
supporters ekwedu ndikati kune
vandaiziva vachifarira zvekuyimba
"huyai kah tiimbe nhaimi hindava
kungoneta neta Soo?" Ndakadaro
ndichivabvunza zvikanzi "bhora
richangotanga that's why tichiri low
low" takangosekedzana kusvika
tasimbisana kuti titange kuimba vamwe
vachitosimukawo ini ndikashaura
*bhomba saleee* vamwe vakandidaira
vachiti *aah Mwana wandaida* ini
ndikati *ndiyeyu Mwana wandaida* ivo
ndokuti *haaaa bhomba saleee*. Song
yakatozoita mutsindo zvakaita kuti
vamwe vabve kuground re netball
kwavaiva vachiuya kwedu ini handina
kumira kuimba vanhu vachindidanira
*bhomba saleee...haana mwana
wandaida ndiyeyu mwana wandaida
haaa bhomba saleee*
*ndikafunga Purpo mubhora haaa
mwana wandaida ndiyeyu mwana
wandaida haaa bhomba saleee*

*Ndikafunga Luka mubhora...haaaa


mwana wandaida ndiyeyu mwana
wandaida haaa bhomba saleee*

*Ndikafunga Tatso mubhora haaa


Mwana wandaida ndiyeyu mwana
wandaida haaa bhomba saleee*

*Ndikafunga Jeri mubhora haaa Mwana


wandaida ndiyeyu mwana wandaida
haaa bhomba saleee*

Song yakayenderera mberi zvine


mutsindo zvekutii taiti mumwe akaneta
mumwe oshaurawo, ini ndakazouya
ndichisheedzwa na Edmore akaita
zvekupinda pavanhu akasvika
achindikwenya ndikabuda naye achiti
ndaidiwa nambuya. Ndakabvapo
pavamwe ndikayenda kumapoto
kwandakasvika ndichinzi nambuya
nditore lunch box ravo ndiisirwe usavi
sezvo vamwe vangu vandanga ndabika
navo vanga vapakururwawo wavo
,zvadaro handina kuzodzokera
kuground sezvo bhora rainge ronzi rava
kupera uye vanhu vanga vatotanga
kumira mu que yekuhora sadza asi
kune mapoto ayinzi akamirira vakuru
vakuru vatungamiriri vemu Village
medu pamwe chete nevakomana
vebhora. Ende team yekwedu
yaizivikanwa nekuhwina vakazoti
vauyawo kusadza vakomana vebhora
vacho hameno hwaiva hwunhu rudzii
hwavayiita kuda kwaiva kufarira
kuhwinha kwavo vari muline ravo vega
resadza iroro vayiimba vachidairirana
chero anenge apakurirwa sadza
ayingoyenderera mberi nekuimba
achidairirana nevamwe akabata ndiro
yake ende zvainakidza vakapfeka
uniform yavo iniwo nedivi pandainzi
mukadzi wa Purpose ndainzwa mamwe
manyawi akapfuurikidza pavakapedza
kudya vakomana vebhora vamwe
vemuraini vainge vachiri pa que
yesadza ndakatoona vanhu vekumba
kwedu Kwa Zhou varipowo vakuru
zvese nevana asi handina kuyenda
kunovamhoresa ndakangohwandawo
nevamwe sekunge ndisina kuvaona
kuwirirana kwainge kusipo zvamuchose
sezvo bamunini baba Dorothy vainge
vazonzi 5 months vari mukati . "Yeah
boys ndaguta zvangu zvaita mukadzi
wangu arikupi timbowaya waya" ndi
Purpose akadaro team rake rekubhora
rikaseka vachidzvovera zvekukuza
iniwo kwandanga ndakagara vamwe
vakatanga kunditi enda kwaurikudiwa
na Dady vamwe vachiti kana
uchitsvagwa nemurume simukawo
pavanhu ndakasimuka iye paakandiona
akanogeza maoko achibva afamba
achiuya kwandayiva tikasanganidzana
kumapeto kwevanhu sezvo vanhu
vanga vakagara gara pasi vachidya
sadza iye akangotanga nekundi hugger
akabereka ka satchel kumusana
kandaitoziva kuti ndiko kaiva nehembe
dzake sezvo apa ayinge akapfeka
uniform yavo yebhora tichibva pavanhu
takananga kwaigara vakadzi vaitengesa
zvidyiwa. Ndokuyenda pana Mai Luke
tasvikapo akavati "murikuita Seiko
zvenyu Mai Luke ipaiwoka mukadzi
wangu mabuns anokwana apa awane
kudzosa simba because aneta
nekuimba" tese takabva taseka
achivatambidza mari yacho zvikanzi
naivo Mai Luke "ayewa kuimba
anoimba hake mukadzi wako ndizvo
zviri right zvinoita kuti Imi sababa
muitewo manyawi chero confidence
pamutambo dzinowedzera"
takayenderera mberi nekusekedzana
kwave kutambidzwa mabuns angu
tikabvapo Purpose andi hugger
zvekare anga akangoita zvekuturikidza
ruoko rwake pamapfudzi angu "apa
tavakutoyenda hedu kumba ndizvo
kah?" Akandibvunza kudaro ndikamuti
"hoo" zvikanzi "ehe hapana
chatichamirira kwatodoka plus
mangwana kwanzi na baba Charma
ndipo patirikubuda tichiyenda ku
Mozambique" akadaro ndikamuti "ok
Mira ndinotora plastic rangu
ririkumapoto uko" ndakamhanya raiva
plastic raiva nechi lunch box chine
nyama ndakatowana vanhu vagovana
upfu hwanga hwasara ini ndikapihwa
hwangu kwave kudzokera Kwandanga
ndasiya Purpose tikatopinda muroad
tichiyenda kumba iye anditakurira
plastic rangu.

*Stay tuned......*
https://chat.whatsapp.com/J5jEX5nyp
K02olSrw5ywdA

https://facebook.com/groups/1018956
279079680/

Pressȱ this link to join our Facebook


page.

*̗ORNAMENT̗*
WRITTEN BY

AUTHORESS

PAMELA.N.NGIRAZI

*CONTACT US ON 0785801457/+27 62
564 8775*

*Strictlẏ̇Parental guidance is
advised*

*ROMANTIC & SENSITIVE STORY*

*Chapter 21*

*Last free chapter*

Takati tiri muroad na Purpose


pakuyenda kumba ndakangoyerekana
ndaseka zvikanzi "Koo unogoseka wega
inini ndiripano sei ndiudzewo kah
zvirikunakidza zvacho tiseke tese"
ipapo ndainge ndafunga musi
waakambonditevera tichibva ku ground
pakauya Mp ndichizosvika kumba
ndichinoreverwa nana Dorothy.
Ndakamuudza zvandaiseka nyaya
yacho yese zvikanzi "vanhu vekumba
kwenyu vakabvirira kare kundivavarira
vachizama nepavaigona napo kuti
uwuye kwandiri but nerimwe divi
ndoona sevakatogona havo because
now nditoriwo nemunhu wandirikugara
ndichisekawo naye chero hazvo ane
nharo munhu wacho" ndakabva
ndaseka ndikamuti "dzangu nharo
dzitori nani pane dzako Purpose
dzimwe nguva zvimwe zvinhu zvaunoda
kupikisa hazvina kana basa kana kuti
maybe unenge uchida kundishandisira
chance hako uchida zvekunditonga
tonga" ndakamudaro naiyewo akaseka
zvikanzi "maybe tinenge tichitongana
because newewo sometimes ndotoona
sekunge unondijairira musi uye waida
kundirova wani" ndakakurumidza
kumuti "hii musi upi iwoyo
wakundinyepera manje" ndainge
ndakanganwa musi waayireva. Zvikanzi
"paye pandaikurambidza kunodiridza
Ku garden ramai Madzinga handiti
pandakabuda ndikadzoka ndakasvika
uchida kutondirova here iwe" ndakabva
ndafunga kumupusha kwandakaita
ndikaseka zvikanzi "wazviona kah kuti
utori nema one ako wega"
,takasekedzana kusvika tanosvika
kumba kwedu. Asi nekuda kwekuti tese
tanga takaguta chikafu chatainge tadya
ku independence hatina kumbozvipa
basa rekuvesa moto nekubika sadza
usiku ihwowo ,mumwe wangu ndiye
akati ayida kurara ageza sezvo
ayizomukira kuye kwavaida kuyenda
uye achiti anga anyanyisa dikita nekuda
kwebhora. Takazorara kuseni
akamukira kundimutsa pandakamuka
ndakafugura magumbezi angu
ndichizvitatamura ndikati "inguvai
nhaiwe" zvikanzi "kuma to four ndava
kutobuda baba Charma vakandimirira
muka undipe mari iye" ndakazvitwasura
ndichisimuka ndikamuti "saka
munofamba usiku hwuno here nhaiwe"
zvikanzi "ehe Sha tichatombopa timba
kah netsoka tozokwirira kumberi saka
hanzi tikasimuka izvezvi
pakunozochenawo zvekuma 11 tinenge
tava mu Mozambique" ndakabva
ndamuti "asi munodzoka nhasi kah
Saka urikunohodhei manje"
ndakamudaro akanditi "ehe tinodzoka
nhasi obvious ,handisati ndava
nechokwadi kuti ndonotorei ndichaona
ndaveko".

Ndakatora mari iye kubva pandainge


ndakayichengetera kwave
kumugamuchidza ndikamuti "udzoke
Purpose hako" ndakataura izvozvo
ndave kunzwa kuda kutochema uye
kurwadziwa nekuyenda kwake
ndavakuona sekunge ayisazodzoka
"ndinodzoka Orna sha ndipo
pandichakusiya ndichiyendepi asi?"
akadaro asi ini mupfungwa ndainge
ndofunga nyaya dzataisimbonzwa
dzekuti nhingi akatizwa nemurume
,kana kunzi baba nhingi vakayenda
kunze kwave kufuratira mukadzi
vakanotanga zvimwe "Orna" akadaro
awona ndangomira ndakanyarara asi
andidaidza kudaro handina kumudaira
zvakaita kuti agadzike satchel rake
pachi sofa kwavekufamba achiuya
pandiri akatanga andibata ruoko
zvikanzi "urikufungei nhai Ornament
ndorega hangu kuyenda here?" kuti
arege futi zvaisaita nekuti
ndaitozodawo kuva mumwe wevaizonzi
vanochena muraini nehembe dzekunze
"enda hako but uzongodzoka kumba
chete" ndakamudaro zvikanzi
"zvandirikubva pano zvakanaka wani
nhai Orna saka pfungwa yekuti
handizodzoki irikubvepi inga
ndakakuchengetesa Mari iyi kubva
musi wekutanga ndichingokuudza kuti
ndodawo kuzonohodha wani ndiri rovha
handishandi sha chandingatoitawo
panguva inoyi kuti tiwane kurarama
zvakanaka kah ndechekuti
nditozamawo zvekutengesa
zvirikungoitwawo nevamwe izvozvi
kungozamawo pamwe zvinofamba
pamwe hazvifambi handizivi sha
kungozama" akadaro
ndikangoyerekana ndadonhedza
musodzi. Handina kuziva kuti
ndaichemei chaizvo asi iye akazviona
nekuda kwelight ratainge takabatidza
akasiya ruoko rwangu rwaayinge
akabata kwave kundibata kumeso
kwangu achindipukuta musodzi
nezvigunwe zvake zvihombe
zvemumaoko ake ese nekunyara
pandakada kuti ndimubvise maoko
acho iye akabva andi kissa pamuromo
sezvinhu zvandainge ndisina kutarisira
ndakaita kakuvhunduka ndokushama
muromo ndichida kutaura something
iye kwave kundi kissa sezvaakamboita
zvekuisa rurimi rwake mukanwa mangu
ipapo handina kumbokikiritsana naye ,
akandi kissa ndakangomira sechidhori
nekuti ndaisaziva kuti ndobatawo pai
ndikanzwa ndabatwa maoko ese
achindiisa kumusana kwake zvekuti
ndimubatirire. Zvaayindiitisa ne kiss
iyoyo zvainakidzira zvekuti ndainge
ndototsinzinira iye kwave kuzvibvisa pa
kiss yacho zvikanzi "tozotamba rimwe
zuva tiine time chaiyo izvezvi
ndingazononoka ndizvo kah?"
nekunyara ndakabva ndabata muromo
ndave kutopukuta ma lips angu
nemukati meruoko rwangu iye achibva
aseka zvikanzi "chero ukapukuta hako
asi ndatoku kissa" ndakabva ndaridza
tsamwa ndikamuti "ukwane iwewe" iye
kwakuramba achiseka uku achisimidza
satchel rake zvikanzi "musare bho Mai
mufundisi Chirasha anenge akubvunza
nezvangu usataure kwandayenda even
iwewe wacho uchabuda uchinochera
mvura chete wodzoka uchiswera pano
pamba, kwete kuzonzwa wava kuti
ndazoyenda kwakati ndikazodii ndikadii
ndati munhu agare pamba". Akadaro
ndikamuti "ehoi nhaiwe chiyenda
wakutondiita senge mwana wako kah
manje ndichatobuda" ndakadaro
ndichingoda zvenharo naye zvikanzi
"umbozvizama uwone" ndakasara
ndichiseka iye achibuda kuyenda,
ndakavhara door kwave kupinda
mumagumbezi angu ndichingobata
bata muromo wangu nekungonzwa
kamufaro kakasangana nekunyara apa
zvakanditorera time kuti ndibatwe
nehope ende padzakazondibata
ndakanonoka kumuka ndakatozomuka
zuva ratokwira semunhu ayisava
nepekuona nguva handina hangu kuziva
kuti inguvai asi zvaingooneka kuti
nguva dzafamba zvekuti vayinge
vakurumidza kumuka vainge vatopedza
mabasa avo mudzimba dzavo.
Pandakabuda panze ndakambogara
pazvidhina zvaiva muberere memba
ndichidziya hangu mushana
pandakazofunga kuti ndine nyama
yandakabva nayo kwave kusimuka
ndichinovhura mu kitchen umo
mandakatanga nekutobvisa dota kubva
pachoto ndokubatidza moto nekuziva
nhamo yedu yekumboshupika usavi
ndakabva ndachekerera nyama iya
ndichiyiita midzonga kwave kuyi sasika
imwe kwave kubika yakati wandeyi
yaibatanidza masikati nemanheru.
Ndapedza kugadzira nyama
ndakatanga kuita zvimabasa zvangu
zvepamba kwave kuzoyenda
kwambuya kunochera mvura
yekuwachisa ndakaenda three times
asi pandainge ndosenga yekupedzisira
Ivo mbuya vakanditi "nhasi wasenga
mvura wega ukadaro arikupiko mumwe
wako zvaakonewa kukubatsira" kuti
ndivaudze zveku Mozambique zvaisaita
ndakatya kuti iye ayizondipopotera
sezvo akati ndisataure "handizivi kuti
ayendepi angobuda uyu" ndakavadaro
zvikanzi "zvino munhu anongobuda
akanyarara senyoka irikubuda
mumwena here munhu
ndewekuudzawo mumwe wake kuti
ndoyinda kwakati" vakadaro
vakakotama pamumhiripiri wavo
vachitodzi tanha ndikangovati "shuwa
henyu mbuya" ipapo ndainge ndofamba
ndichidzokera kumba kwangu.
Ndayitonzwa kuda sadza chairo Saka
ndiro randakabika ndaiti ndichibika uku
ndichiwacha ndakabika rakati wandei
ndiine tarisiro yekuti Purpose ayigona
kuzokurumidza kudzoka asi hazvina
kuita sekudaro ndakatozoti nguva dzati
fambei ndapedza zvandayiita ndaguta
ndazvirarira ndichizorodza nyama
dzemuviri ndikanzwa kuti "gogogoi
pano" raiva voice rechikadzi
ndakatoshaiwa kuti ndiyani kwave
kuvhura door ndichibuda panze "hiiii
Tete" ndakadaro ndichitoyenda pavari
neface yakazara nyemwerero vaiva
Tete vangu hanzvadzi ya baba vangu
vanova zvekare vekutenga blanket
randakambopihwa na sekuru vangu
vaZhou mazuva andakatanga kugarako
"hesi Ornament kukura here uku nhaiwe
mwana wehanzvadzi yangu"
ndakangoseka tichikwazisana
mumaoko. Vainge vauya na Tariro
ndokunanga navo mu kitchen mainge
musati hamo mave ne shurufu
yakashongedzeka nemidziyo se kitchen
dzevamwe vakadzi vechidiki seni asi
ndakapinda navo zvakadaro kwave
kuvawaridzira saga ndiro ravakagarira
"makadii henyu vatete" ndakavakwazisa
zvine tsika vakandidairawo zvakanaka
kwave kuzomhoresa Tariro
akandidairawo "nhasi matitsikawo
veduwe koo makasvika kuno kumusha
rinhi" ndakavabvunza kudaro zvikanzi
"ndatova nesvondo rese ndauya ini
ndotodzokera ku Chiredzi kwangu
mangwana ndatoona kuti
ndingazodzokera ndisina kusvika kuno
ndichikuonaiwo apa ndanga ndimbori
kwatete vako Conciliar...Koiwewe
kusandichairawo runhare kuti vatete
ndakura kwanziiko" vakandibvunza
kudaro ndikangoseka ndichidaira
zvaiyenderana nenyaya ndakazosimuka
kwave kuvapakurira sadza randainge
ndasiira Purpose zvese nenyama yacho
ndikatonzwa shungu dzekuti vazosvika
vachizivisa vanhu kumba kuti ndanodya
sadza ne nyama kumba kwa Orna
sezvo nemanetsero ayiita usavi
kumusha vanhu taingorarama tichiziva
kuti nyama inoseveswa manheru chete.
Vachidya taitaura nyaya kusvika
vatozondibvunza kwaiva na Purpose
ndikangovati abuda , Tete vangu vaiva
munhu akasununguka zvekuti chero
kuhondo dzairwiwa Kwa Zhou Ivo
havana pavaizvikwanisa ende havana
wavaisarudza kubva kune veukama
kusvika kuvaroora vese vaingosekerera
zvakadaro. Vana baba vangu na
bamunini baba Dorothy ndivo vaigara
vachizvinetsa nekumutsidzira nyaya ya
sekuru Zhou kunzi vakabata
zvakarwarisa Tete vedu ava asi ivo Tete
vaitoita sekunge vasirivo vakarwariswa
vacho nekuti vairatidza kuda baba vavo
zvakanyanya kumusha chaiko vaisauya
pese pese seipapo vapedza kudya
pamba pangu takambotandara
tichitaura dzimwe nyaya asi havana
kumbobvira vataura nyaya yekuroorwa
kwangu or zvekusungwa Kwa bamunini
baba Dorothy chavakatombotaura
ndechekundikurudzira nekundirayira
kuti kana ndaroorwa uye ndava nemba
ndodzikama pahunhu zvese
nekuremekedza hama dzemurume,
iniwo ndakatofara because ndivo vega
munhu wekwa Zhou vainge vatangawo
kusvika pamba pangu mune zvakanaka
uye nerudo. Pavakazowoneka vachiti
vavekuda kudzokera ndakaona kuti
zvaisaita kuzoti vanhu vekwa Chirasha
vazoita zvekunzwa nemakuhwa zvinova
zvakaita kuti ndivakumbire kuyenda
nekwa mbuya Chirasha Ivo Tete
vakatoti "mwana wehanzvadzi yangu
zvaunotofunga semunhu mukuru
nhaimi veduwe izvozvi ndakabva Kwa
Tete vako Concy kwandakasvika
ndekwava mwene vake chete kumwe
kwese haadyidzane navo kuvakadzi
vemadzikoma nevanin'ina vemurume
wake kwanzi vanondivenga nekuti
murume wangu ndiye ega
ane mota" takabva taseka tese inini na
Tariro ivowo Tete vaisazvitaurira
mukunyeya asi kuti vaitozvitaura
mukuziva kuti tese taisiva kunoza kwa
Tete Concy , nyaya yacho nekuseka
kwedu ikoko kwakazopera tasvika
pachivanzi chambuya Chirasha
"tigamuchire vayenzi" ndivo vakadaro
mbuya zvikanzi na Tete
"muchigamuchireiko amai tisvikewo
pano" . Vakadairana zvakanakisa
tikananga pavheranda pavainge
vakagara ivo mbuya Chirasha kwave
kunogarawo ipapo vanhu
vakakwazisana ini ndakangopawo
hangu ma introductions zvechirango
asi vaitozivana kare zvemumusha ,
Prog ayinge adzoka kubva kuchikoro
achibva anzi asevhe chikafu akaita
sezvaayinge awudzwa kwave
kunopakura rice raitovawo nenyama
yandakaziva kuti yaivawo yeku
independence takadirirwa ne drink
ndikatotorawo mukana iwoyo
kuzvipurawo.

Tapedza ndini ndakasimudza ma plates


ndichinoyaisa kuchitanangare Tete
pavainge vave kuwoneka zvekuda
kudzokera ndidzo nguva dzakasvikawo
sekuru VaChirasha hamenowo
kwavaibva asi vaonana na Tete vangu
vakafara kukwazisana uye vachitendwa
nekuuya kwavainge vaita vachiona
pandigere "zvino azodiiko murume
wako nhai muzukuru amboyendepiko
chaizvo vatete vodzokera vasina
kumuona here" vakandibvunza kudaro
Ivo mbuya Chirasha ndikavati "handisi
kumboziva ini mbuya" zvikanzi naivo
Tete "mazuva mazhinji tichavaona hedu
varume kah ava vanenge
vambopindawo mumaraini umu
kurikutsvaga chekuti tiwane zvekudya
pakuvira kwezuva" point yavo
yakatsigirwa nyaya yacho ikapera
yakadaro vakarongedzerwa nyema
dzekuyenda nadzo naivo mbuya
Chirasha. Vakatenda tichibvapo ini
ndatakura chipepa chaiva nenyemba
dzacho ndokufamba tave kubvapo ivo
mbuya Chirasha vakafambidzana nesu
kunosvika ku gedhi kwave kuzodzokera
kumba kwavo ini ndikazoperekedzawo
vana tete kusvika kurukova
ndokuzodzokera kumba ndakasara
ndichitonzwawo kufara asi zuva racho
ndakazoridokedza ndiri ndega pamba
pangu ,manheru ndakasvika pakubika
ndikarara Purpose asati adzoka
zvakaita kuti ndive worried chero hope
hadzina kuda kubata ndakazoti pave
paye ndakanzwa kuvhurwa kwegedhi
kwave kuita chivindi chekuvhura door
ndichida kuona ndakatanga kuona
torch ye phone yaayinge akaruma
pamuromo uku achisunga gedhi
apedza kudaro akaisa phone yake
muhomwe kwave kunhonga zvinhu
zvaayinge agadzika pasi ndokufamba
achiuya Kumba paayinge osvika
muruvanze ndipo pandakabudawo
ndikamuti "tigamuchire" zvikanzi "Koo
wanga usati warara here nhai
Orna...ndeipi" akadaro ndikamuti
"ndairara sei iwewe usipo" zvikanzi
"Kasi ndanga ndatakura magumbezi
here" ndakaridza tsamwa ndichiseka
iye achisekawo ndichigamuchira
zvaanga akabata ndokufambidzana
tichipinda mumba maakasvika nekuti
"ndaneta plus ndatsva Sha ndoda
kuzvidira mvura kutombogeza chaiko".
Ipapo ndainge ndonzwa kufara
nekudzoka kwake "ndipe phone ndoda
torch ndiyende kunokudirira mvura mu
kitchen" ndakamudaro akaibvisa kubva
muhomwe ye trouser rake kwave
kundipa ndokubuda ndichinomudirira
mvura asi paakayenda kunogeza
nekuda kwe curiosity ndakasara
ndichidongorera muchitsaga bag
nechimwe chi plastic chaanga awuya
nacho kunyangwe zvazvo ndisina
zvisvInu zvandakagona kuona
zvakanaka , ndakasiyana nazvo kwave
kunomupakurira chikafu chake
chaakazosvikira achidya abva
kunogeza apa ini achidya kudaro
ndayimuponda nemibvunzo yekuda
kuziva zvakaita ku Mozambique
kwacho ,akazonditi ndivhure zvaayinge
auya nazvo ndokuona muine 25 kg ye
munyu wemagodo ne plastic raiva ne
dress netwuma pushi twunyowani
zvaiva zvangu kuchizotiwo jean trouser
rake ndiro rega raayinge azvitengera
zvichizosanganisira fish dzakaomesa
zvimachips zvaakanditi "imbodyawo
mazepi eku Moza umanzwewo"
ndakatoseka ndichiyavhura uku
ndichifarira nhumbi nyowani ndave
kutozviona kuri kutanga kwemucheno
"Saka salt ndiyo inofamba here tinenge
tichiitengesera kupi manje"
ndakamubvunza kudaro ndichiona
kunge anga ahodha zvisina basa nekuti
achiyenda ndakasara ndichingofunga
kuti zvimwe ayizono hodhawo zvipfeko
sezvaitengeswa nana baba Charma asi
iye akabva ati "yeah ndine belief yekuti
inotengwa tirikungozama sha hapana
pandaizotora sezvinotengeswawo na
baba Charma taizozvitengesera ani
hazvibude waona?" point yake
ndakainzwisisa ndikawirirana naye
ndave kutoudzwa matengesero
atayizoyoita salt yacho tapedza
kuronga nezvazvo ndipo
pandakazomuudzawo nezvekuuya
kwatete vangu pamba uye nezvese
zvainge zvaswera zvichiitika.
Takazorara hedu asi zuva rakatevera
ndapedza basa repamba akandipimira
yangu salt nekundiratidza mupimiro
wandaizoita pa cup yaakandipa
takatobuda tese pamba ini nechitsaga
changu iye nechake asi takafambira
kwakasiyana muraini imomo
tichitengesa salt iyoyo nekuda kwekuti
nzvimbo yedu yainge yakawanda vanhu
vemasowe yakambonongwawo
zvirinani zvekuti svondo rakazopera
tawana Mari yekuti anohodha imwe ,
ukuwo vekwa Chirasha vainge
vazozviziva kuti ave kuyenda ku
Mozambique. Takatanga tichiti
tikanohodha totengesera mumaraini
kusvika iye azoronga kuti titombobuda
nayo kuma villages ekure tainge
tavakuti akanohodha sanhasi
mangwana toswera pamba iye
achizorora then zuva raitevera taibva
tabuda ,tikazoita mazuva atayiyenda
Kuma villages arikure zvekuti
tayimukira kuseni seni kuma four
tichipinda muroad tonosvika kuma
villages iwayo zuva richangobudawo
tainoswerera kutenderera ipapo tainge
tofambira pamwe chete zvaifambawo
zvirinani zvekuti takakwanisa kuraiser
Mari yekutenga chimunda
munharaunda medu imomo zvainzi
zvimunda zvema irrigation uko kwekuti
every season kunenge kuinezvirimwa
zvinodiridzirwa nema irrigations kwaiva
nezvimunda zvainzi zvekuma youth
kozotiwo zvevanhu vakuru Isu tatenga
kudaro takamboshanda nayo salt yedu
yemagodo iyoyo ende chaindinakidza
ndechekuti Purpose pese paayiyendera
ku Mozambique ayinditengera hembe
nyowani zvekuti ndainge
ndotoonekerawo zviri nani chero
mafuta ekuzora nesipo dzekugezesa
ayinge obva nazvo ikoko. Rimwe zuva
akayenda kwave kundivigira mapoto
maviri manyowani ne set yema dinner
plates aripo five ndakashaiwa pekubata
nemufaro zvekuti ndainge ndonzwa kuti
dai pangowanawo vayenzi
vanotishanyira ndigowana kuvapakurira
ndichishandisa ma plates iwayo,
rwendo rwaakauya nezvinhu izvozvo
takanotengesa salt yaayinge awuya
nayo ende kwatayitengesera vainge
votiziva zvekuti taigona kuvasiira ye
chikwereti tozodzoka tichitora Mari
yedu uye vazhinji chero vemuraini medu
chaimo vainge vofarira salt iyoyo
vachiti chero pakubikisa inogara.
Seyerwendo irworwo takati tatengesa
iye paakayenda kunohodha akadzoka
ne tobacco seeds achiti ndiyo yaayida
kurima ozotengesa zveshuwa
kuchimunda chedu chekuma irrigation
takakwanisa kugaurisa pasi nekudyara
izvozvo ndiye akazviita nevamwe
varume three vaanga abatana navo
kuzvimunda zvacho semushandira
pamwe mazuva acho anga ambomira
zvekunohodha tave kuisa simba redu
kuchimunda chedu iniwo ndaitoti
panguva dzekumuyendesera chikafu
ndaitogeza ndopfeka hembe
dzinoonekera semunhu ayinge
avakuchenawo ende vazhinji muraini
vainge vondi commenter kunyangwe
gogo vangu Mai Spencer chaivo vayiita
kufara vachiti Purpose ayigona
kundichengeta. Mumwe musi
akazodzokera kunohodha ndokupinda
panzira nemunyu wedu semazuva ese
asi rimwe zuva tiri muroad kuyenda
akanditi "unombozviziva here kuti
ndirikufungirwa kunzi ndiri mupanduki
kune zvemusangano" nekuziva kuti
nyaya idzodzo dzinokuwadzisa
ndakarohwa nehana ndikamuti "hii iwe
Purpose sei wadaro" zvikanzi "inyaya
yandakatonzwa kuma irrigation handiti
urikuona kuti baba Charma
havasikuoneka kah vanenge vakatotiza
chinoitika ndechekuti ndinoswera
ndisipo saizvozvi totengesa tozodzoka
manheru saka misangano yema youth
inosara ichiitwa kumaraini ini ndinenge
ndisipo zvirikutonzi pane zvinhu
zvakauya zvakahoreswa ma youth but
ini handina kupihwa Kwanzi ndakanzi
ndirimupanduki pandinoswera ndisipo
ndinenge ndayenda kunopindira
misingano yevapanduki kunze uko
nyaya dzacho dzakatowanda ende
ndirikunzi handichafanirwe kuramba
ndiri captain kubhora because iteam
yemusangano plus munda kurikutonzi
dai ndisina kuuwaniswa because
ndewemusangano futi" ndakanzwa
kutya ndikamuti "hii nhaiwe saka baba
Charma vakatizei manje apa Mai
Charma vacho vakasara ende Soo kah
,saka uchaita sei nhaiwe Purpose"
ndakamubvunza kudaro zvikanzi naiye
"pakatoipa Sha baba Charma ndofunga
nyaya dzacho dzakangovabhowa
naivowo vaipomerwa maybe vakatya
kuzorohwa nevakomana but ini handina
chekutiza because inyaya dzemakuhwa
plus handina kuvapanduki
kwandakayenda plus nyaya dzacho
ndinobva ndatotadza kudzibatanidza
because mbuya na sekuru rimwe zuva
pandakatoyenda kumba vaitonditi
ndofanirwa kutevera musangano
sevamwe but unotozoona kuti
hazvibatsire because ndinenge
ndichida kutsvaga Mari waona". Nyaya
yake yakandityisa because maroverwo
ayiitwa vanhu vanonzi vapanduki
taiwuziva sezvineiwo Musi mumwe
chete iwoyo manheru tadzokera Kumba
panguva dzedu dzekurara akatanga
kuda kutamba neni chikudo kwave
kuzotanga kundi kissa ini
ndokumubatirira kumusana
sezvaayinge akandidzidzisa akasvika
pakupinza maoko ake muhembe
mangu kwave kundibata paminyatso
yemazamu akatanga kuyita
seayiidhonza dhonza zvaitekenyedza
uye zvainakidza ndaingoteerera
ndokunzwa ndave kufugurwa skirt iye
kwave kuyisa ruoko rwake mupant
mangu akazvibvisa pakiss zvikanzi
"wakadzidziswa nani kudhonza matinj*"
ndakanzwa kunyara kwave kuda
kuvhara kumeso nemaoko
akandidzivisa zvikanzi "ndava ready kuti
tiite mwana Orna ndavakugona
kukuchengetai mese nemwana
ndokuda Sha ngatichitanga kuita
sababa namai kubva nhasi
wochindidanawo uchiti Dady ndizvo
kah?" nekumudawo ndakagutsirira
ndichitenda nemusoro akabva ayita
seayindivhura makumbu ndikaomesa
muviri zvikanzi "usatye andikurwadzise
kana wakurwadziwa unondiudza
ndichibudisa wazvinzwa?" Kwaiva
kunyengererwa ndichirariswa pachibed
chake asi takabva tanzwa knock
padoor tikatarisana zvekuvhunduka kuti
ayiva ani usiku ihwowo, akandisiya
kwave kuvhura door akabuda asi
ndakatozomutevera panze pacho
ndanzwa kukonana kwevanhu
ndokubudawo ndikaona ari ma youth
vaizivikanwa nekupisa musoro muraini
"hatina kuuya pano kunonetsana newe
sha iwewe ingofamba tiyende kubase"
vakamudaro iye akanditarisa akati
"pinda Mumba urare Orna usabve pano
ndirikudzoka" akayendwa naye asi ini
ndakatadza kana kugarisika akaita
chinguva asati adzoka pave paye
ndakazonzwa chinhu chakaita sound
yekunge chinhu chakandwa chikarovera
padoor hana yangu yakarova zvekuti
ndakatya kana kubuda pandakazonzwa
munhu ayiti "Orna, Orna" achiita
seayimara mara door ndakaziva kuti ndi
Purpose pandakavhura ndakamuwana
akaumburuka pasi padoor ipapo
zvakaita kuti ndivhunduke iye kwave
kupinda mumba achikambaira
ndakamuvheneka ndikaona kuti ayinge
arohwa uye anga akuwara mutsoka
umu makumbo ayinge atozvimba.
Zvekutya ndakazviisa padivi kwave
kubuda ndichimhanya kunanga Kwa
mbuya Chirasha kunovaudza vakauya
vese nasekuru vachimuona vakatanga
kudemba vachimutsiura kuti vainge
vambomuyambira kuti ayendewo
kumusangano sezvayiita vamwe asi
ayisada vachikuti hwu stubborn
hayihwunyanya , iye ayingoyuwira asina
chaayipindura ndikanzi ndidziise mvura
ndakabuda ndichinokuchidza moto
ndokuisa mvura yacho kwave
kubatsirana nambuya kumutova
tichimuisa mvura ine munyu takaita two
weeks nechimiro chakadaro
achingogara mumba ndichimutova
sekuru na gogo Mai Spencer
vakambouya vachitomuonawo asi
pavanhu vese hapana ayikwanisa
kumubatsira sezvo muraini mese
rainge rangofamba shoko richinzi
Purpose akaroverwa kupanduka asi
pamasvondo maviri ayakapedza
achigara nekuswera Mumba iwayo
akazoti avekukwanisa kufamba
hwumwe hwusiku tave kuda kurara
akanditi "Orna muka urongedze bag
rehembe dzedu mangwana makuseni
tirikumukira tichibuda pano ndikaramba
ndirimuno mumusha ndinogona
kuzopedzisira ndaurawa" akadaro
ndikamuka ndichabva ndamutarisa
ndikati "tichiyenda kupi nhaiwe dzimba
dzedu dzatakavaka nemunda
watakadyara fodya tozvisiira ani?"
ndakamubvunza kudaro zvikanzi
"tichavaka dzimwe dzimba munda
tichawana umwe better timbonozama
umwe upenyu kuneimwe nzvimbo
sekuru vangu vaChirasha ndi chairman
wemuno but how come kuti ma youth
anowana simba rekuuya
vachindivhomora pano usiku
vachinondirovera nyaya yandisingazive
akandiona ndiri kumusangano
wevapanduki ndiyani iwe
haungazvinzwisise but vanhu vazhinji
ndirikutozviona kuti varikurwadziwa
nekusimukira kwatirikuita
vanopedzisira vandiuraya better tibve
muno" akadaro ndikamuti "Saka kwa
sekuru baba Spencer ndovaudza
nguvai" ndainge ndoremerwa
zvekutadza kuziva kuti ndodii chaizvo
zvikanzi "ndavaisira massage kare
tarisa muphone umu
vatondipindura....apa ndataura
nevamwe mainini vangu munin'ina
wamai vangu vanogara ku Mvurwi
ndiko kwatirikuyenda tonoona
zvekunoita taveko" zvinhu zvairwadza
uye zvainetsa kugamuchira kuti tava
kubuda mumusha tichisiya upenyu
nezvishandwa zvatainge tamisa
handina kumupikisa chandakaita
kusimuka kwave kutanga kurongedza
ndakaisa hembe dzedu dzese
nemagumbezi chero mapoto
nemandiro angu manyowani
ndakazviisa ,takangorara zvishoma
takafuga zvichira zvemanga manga
ndiye akazondimutsa kwave kumukira
kuchinja nhumbi ndakasenga bag iye
akatakura saga ndokuvhara door
misodzi yangu yakatanga kuswinya
tichifamba kubva pamba apa hwaiva
usiku around three dzekuseni apa iye
ayifamba achikamhina sezvo ayinge
akarohwa pasi petsoka takafamba
takanyararidzana kusvika tabuda
muvillage medu ndiye akazotanga
kunditaudza tave muchiroad chaiyenda
kwaikwirirwa mabhazi Mari taiva hedu
nayo kubva kuneye business redu re
salt.

*Stay tuned........*
*Please read this post carefully*

*Wese Ari Zim side or anoda


kutengerwa from Zim side....Subscribe
your book ORNAMENT with 2000rtgs
on 0785801457 zita rinobuda (N.
NGIRAZI)....send screenshot ye
confirmation massage yako then
pazasi pe screenshot Yako iyoyo
undinyorerewo Zita rinobuda pa
Ecocash yako unosenda pa one of this
SA numbers because Malines emunhu
mumwe chete (+27 62 564 8775 / +27
74 655 1363 pakutaura kwedu
ngatishandisei ma whatsapp not sms*
*1.50 inn bucks unoshandisa number
iyi 0775908409(S.Nkomo) pakusenda
wouya neproof yako pa SA number dziri
pamusoro idzo.. please musafone pa
inn bucks number iyi.*

*SA side send your R30 EASYLOAD


AIRTIME (inojusa kwese) on +27 69
532 1448 / +27 69 827 8626 mune
mukana wekusenda through bank
zvekare*

*Ndine hurombo hatisi kugamuchira ma


scratch card hatisi Zim side Saka
hazvisi nyore kuti tigone kuzoya jusa,
mungakwanisa kuzotsvaga anokuitira
money transfer pachinzvimbo che
scratch card*

*In case mungazotibata zvekare


on+258 86 569 6614*

You might also like