Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 124

Page | i

DANGEROUS
A FFA I RS

By

FAITH CHIWARA

a.k.a

Lovely Rutendo Nzira


Page | ii
DANGEROUS AFFAIRS

Copyright © Faith Chiwara/2019

ALL RIGHTS RESERVED

Faith Chiwara asserts the moral right to be identified as the author


of this work. NO part of this publication may be reproduced, stored
in a retrieval system, or transmitted by any means without prior
written permission of the author. Any abuse or unlawful sharing of
this book will lead to prosecution.

Cover Design by Pearl Press Media


www.pearlpressmedia.co.zw

Interior Page layout by: Blessed Parwaringira

Page | iii
ACK NOWLEDGEMENTS
I would I would like to extend my sincere gratitude to God
the Almighty for the voice of wisdom and knowledge in the
writing of this book. If not for His anointing, nothing would
be as powerful and life changing as it is.
My family the Chiwara – Panganai, where I was born and
brought up. Am grateful for their love and support over the
years.
My mentors, Apostle Augustine & Pastor Mrs Audrey
Mutanga and Pastor Tichaona Striker & Pastor Mrs Isabel
Machuwaire, for helping me to explain the word of God and
make sense out of it in secular writings. I appreciate the
grooming, teaching, and criticism and the rebuke that they are
putting so much work and prayers into, to shape and sustain
the brand Lovely Rue /Auntie Rue / Sis Rue …. Only God can
reward such work.
All my Pastors and prayer partners for the job well done in
grooming me to where I am today.
My sister and friend who did the Social Network
groundwork, Sheila Chimuzinga Charamba. Thank you very
much.
A special acknowledgement goes to my friends, Vongai
Chimeura and Lizzy Mutungi for being the inspiration behind
this story. Their unwavering support over time is well
appreciated.

Page | iv
I also want to thank Mr Blessed Parwaringira for
typesetting and the layout of this book, and Mr Munyaradzi
Soka for the cover design. Their technical support is much
valued.
Many thanks too, to online writers for the support that
they have given me to make my writings a success.
A special appreciation to my Facebook and WhatsApp
Fans, affectionately known as “the free editors.” Our association
has made me grow with every copy written. Keep it up.

Page | v
CONTENTS
ACKNOWLEDGEMENTS ..................................................iv

THE BROTHERS’ WIFE........................................................ 1

CHIKAMU 01..................................................................... 1

CHIKAMU 02................................................................... 12

CHIKAMU 03................................................................... 17

CHIKAMU 04................................................................... 22

CHIKAMU 05................................................................... 29

CHIKAMU 06................................................................... 35

CHIKAMU 07................................................................... 43

VATEZVARA VANGU....................................................... 51

CHIKAMU 01................................................................... 51

CHIKAMU 02................................................................... 61

CHIKAMU 03................................................................... 65

CHIKAMU 04................................................................... 70

CHIKAMU 05................................................................... 78

Page | vi
CHIKAMU 06................................................................... 82

MY MOTHER IN LAW ....................................................... 89

CHIKAMU 01................................................................... 89

CHIKAMU 02................................................................... 96

CHIKAMU 03................................................................. 103

CHIKAMU 04................................................................. 110

GOD MY HELPER............................................................. 116

Page | vii
THE BROTHERS’ WIFE

CHIKAMU 01

Agnes akafambisa ndokusvika paCreamy Inn ave


kudikitira. Akaona Rodwell akagara pasi akaisa ma earphones
munzeve achidya ice-cream. Akasvika ndokumuvhara maziso
kumeso ndokubva vese vaseka. Umu maive mudhorobha
reMasvingo.
“Hauna kumbofunga kuti ndiani here?” Agnes akadaro
ave kugara pachigaro change chakatarisana naRodwell.
Rodwell akaseka ndokuti; “Iwewe wega sha, ndiwe une
maoko akaita seakandibata aya. Waswera?”
“Ndiri bho, varipi sisi Maud? Inga mati muri kuuya
mese?” Agnes akabvunza achicheuka cheuka.
“Anouya, ngatiendei tinosanotenga zvinhu zvacho.”
Rodwell akadaro achisimuka akabatira pana Agnes.
“Ok, tosanotenga zve cake only, ndorandiri kuita, sisi
Maud anozotenga zvimwe kana asvika.” Agnes akadaro
vachibva vatanga kufamba vachibva apa.
Vakandopinda muSupermarket ndokutanga kutenderera
vachifamba zvishoma sezvo vakange vakamirira kuuya
kwaMaud, hanzvadzi yaRodwell.
Vaviri ava vaifamba vakabatana maoko vachiseka chaizvo
vachitenga zvinhu zvavo. Pasina nguva Maud akabva

Page | 1
asvikawo. Vakabatsirana vese kutenga zvinhu zvavo
ndokubhadhara ndokuenda kumba kwana Rodwell.
Vakawana amai vaRodwell, mai Makoni, varipo
ndokuvakwazisa.
Agnes akagara pasi navo ovabvunza mufaro. Pashure amai
Makoni vakabva vati; “Warova mazuvano ndaitobvunza
Roddie uyu kuti mukadzi wako aripi.” Vese vakaseka
Rodwell ndokumira kumashure kwaAgnes achiti; “Simbi
yangu iyi yakakandwa kumachonyonyo paakapedza training.
Ari kuClinic iya along Great Zimbabwe road.”
“Hoo ehe, ndakazoudzwa naamai vako mwanangu, mai
Chishiri, patakasangana kuruwadzano.” Mai Makoni
vakadaro.
Vakabva vatizve; “Wave kupiwa basaka neshamwari
dzako idzi mwanangu. Hanzi amai toda kukuitirai zi birthday
party. Ndikati itai zvenyuka I am fifty years old inini.”
Rodwell akaseka achirova amai vake ruoko ndokuimba happy
birthday to you, vamwe vese ndokumubatsirawo. Amai
ndokubata maoko avo vese vachifara chaizvo.
Agnes akazotora zvinhu zvese zvekubikisa makeke
ndokuperekedzwa kumba kwavo kwaingove migwagwa
mitatu kubva paMai Makoni apa.
Mai Makoni vakange vaita vana vavo vatatu, vakomana
vaviri nemusikana mumwe chete. Victor akange ave murume
mukuru ane makore makumi matatu aigara kuHarare.
Aisanyanya kuuya kumba kwavo kuMasvingo. Aive
nemabhizimusi ake akati wandei akange amupa mari
nemidziyo yakawanda yaidhura. Iye pachake airarama

Page | 2
zvaidhura zvaionekwa nekunhuhwira ari kure. Akange aita
mari yakawanda kupinda zvaitarisirwa pazera rake. Akange
asati aroora.
Aiteverwa naMaud aive chiremba paMasvingo General
Hospital, aive nemakore makumi maviri nemapfumbamwe,
akange aroorwazve nachiremba vachigara muMasvingo
makare.
Rodwell aive mugore retatu kuUniversity yeZimbabwe
achigara namukoma wake Victor kumba kwavo
kuBorrowdale. Zororo rega rega aiuya kumba kuna amai vake
kuMasvingo. Apa paive pazororo remuna April, paivezve
nebhavhadhe raamai vavo musi wa20 April.
Agnes naRodwell vakange vadzidza vese kubva kuVictoria
Primary school kusvika kuVictoria High School, Agnes paaive
Fomu yechina, Rodwell aitanga Fomu yekutanga. Asi
nekutizve vaigara munzvimbo imwe chete kuRhodene
muMasvingo, vachipinda chechi imwe chete, vakawirirana
zvakanyanya kusvika vabereki vavo vave kuzivanawo.
Pashamwari dzese dzavakaita muupenyu hwavo, vangave
vasikana kana vakomana, hwavo vari vaviri hwakaramba
hwakasimba. Vaidaidzana husband and wife vachitandara
vese mudhorobha, vombodaidzana my big sister and my little
brother kana vachirairana nekunamata vese kuYouth
kuchechi. Vodaidzana my sugar mummy and my Ben 10 kana
paine zvaiitika zverudo nevamwe vanhu muupenyu hwavo.
Panguva iyi, Agnes akange ave nemakore maviri apedza
kudzidzira kuve mukoti. Akabva aendeswa kunze
kwedhorobha kundoshanda ikoko samukoti. Kwaive

Page | 3
kuruzevha kusina mvura yemupombi kana magetsi asi
ndokwaive kubasa kwacho. Aidzoka mudhorobha kumba
kwavo nguva dzese kana asingaende kubasa.
Musi uyu weChina vaigadzirira birthday party yamai
vavo. Agnes aive shasha pakubika zvemakeke nazvese
zvaiiswa shuga, aigona kuzvikanya nekuzvishongedza
zvekuti aikumbirwa nevakawanda, vachimubhadhara. Ndiye
wavakakumbira kuti abike keke ramai Makoni. Akange
achida kuriita rakakura seremuchato. Mai Makoni vaivewo
amai kwaari, uye aida kufadza shamwari dzake, nemhuri
yavo yese.
Maud akange achibatsirwa namainini vake vaive
mudzidzisi paGokomere High School, vaizobika vese.
Rodwell neshamwari dzake vachiita zvekushongedza
nzvimbo yese, nekurongedza zvigaro sezvavaiudzwa
nemadzimai. Vese vaifara. Vakange vakatarisira nguva iyi
yekufara nekutenda amai vavo vakange varera vana vatatu
sechirikadzi mushure mekushaya kwemurume wavo. Makore
gumi nemashanu akange apfuura.
Musi weMugovera mangwanani zuva rakwira, Agnes
akasvika pamba paMakoni aine motikari yaamai vake, akange
akurumidza kuuya nekeke uye kuzobatsira vamwe
kurongedzera mutambo wamai Makoni.
Rodwell akazosvika paive nemadzimai vatopedza
kurongedza keke zvakanakisa. Akakwazisa Agnes ndokuti;
“Aggie, ava ndimukoma Victor, handiti unoziva kuti mamma
vanonzi mai Vicky, ndiye Vicky wacho uyu. Mukoma uyu
ndiAgnes, our friend and ndiye akaita cake raMoms.”

Page | 4
“Oh ok, nice meeting you Aggie. Kubva patakatanga
kuronga party yamai, zita rako raitaurwa stereki paPhone
vachindipa ma updates. Thanks once more.” Victor akadaro
achikwazisa Agnes.
Agnes akangonyemwerera ndokushaya zvekupindura,
akange angotarisa mukoma wasahwira wake uyu. Vanhu
vese vaiziva mai Victor. Victor akange amboenda kuUK,
ndokunzi ari kuSouth Africa, ndokuzonzizve ari kuQatar.
Iyezvino aive muHarare achinzi ane mari ine mumvuri.
Ndiye akange avakira amai vake imba kuRhodene
achivabvisa kuRujeko kwavakange vasiiwa nababa vake.
MuRhodene umu vaive neimba yakanaka chaizvo. Mai
Makoni vaive Headmistress kuMucheke Primary school uye
vaifamba neFortuner yavakatengerwa naVictor zvakare.
Nhasi vana vavo vakange vavaitira mutambo mukuru.
Victor aive murume mutsvuku chaizvo kunge mukaradhi,
aive hwitakwi yerume yaisimudza simbi aine mihomba
mitanhatu pachipfuva chake. Aifarira kutogara asina
chaakapfeka kumusoro achionekwa dumbu nechipfuva
chake. Aigara nebaravara rakanaka uye tundebvu tushoma
pazasi pemuromo chete.
Musi uyu akange auya nekamotikari katema kaive
kakanyorwa kuti Victor paiiswa nhamba nevamwe. Kaive
nemisuo yaivhurikira mudenga ichipekuka sesiketi
yemhandara yabatwa nechamupupuri. Vanhu vese vaisvika
pamba apa vaitarisa motikari yake uye vaida kumukwazisa.
Iye aisada zvekutaura nevanhu, kana pamutambo uyu,
akange auya nekumanikidzwa kuti avepo namai vake nana

Page | 5
sekuru vake. Aisada zvekuunganirwa. Aida kupa hama dzake
mari iye ari kure.
Pakavakwa imba yamai vake, vanhu muMasvingo
vakange vambonyeya zvakanyanya vachiti akange aromba.
Nezera rake akange awanepi mari yekuvaka dzimba mbiri
nguva imwe chete. Aivakira amai imba yavo, achivaka yake
kuBorrowdale muHarare. Akange atenga maFlat matatu
kumaAvenues muHarare. Nekutenga motikari dzainzi
dzinodhura dzacho. Asi pakutaurirana kwaAgnes naRodwell,
munin’ina akazopupurira mukoma wake kuti aibata bata
zvakawanda asi kuromba akange asina hake.
Rodwell aiziva mukoma wake achiita zvegoridhe
nediamond, aiitazve zvemadrugs, ari pamutemo
emuchipatara, neasiri aisungisa. Aiziva mahofisi mahombe
ekugogodza achipinda achitaura achiteererwa. Aizivazve
vanhu vekutandara navo vachitaura maitirwo emari kwete
zvekunhumburisa vana vevanhu nekuvasiya.
Aisadaidzira I receive muchechi. Kamwe chete pamwedzi
mitanhatu paaipinda muchurch, aiita munamato mumwe
chete; “God give me wisdom and a strategy. May I find favor with
everyone I meet..” Munamato wake uyu waidavirwa. Aiziva
vemabhizimisi vekutaura navo, aiziva vezvematongerwo
enyika vekushanda navo. Akange asingadenhani nevanhu.
Paaikomborerwa aikomborerawo vamwe, pahama dzake
dzepedyo vese vekwa baba nevekwamai vake hapana airara
nenzara. Uye vese aiendesa kuchikoro. Nevaimbonzi namai
vake varoyi vakange varoya baba vake, aivapa chero vasina
kukumbira.****

Page | 6
Victor akaramba akatarisa Agnes ndokuzofamba achibva
pane vairongedzera mutambo. Airatidza kuti achangomuka
kubva kuhope dzemadeko. Akafamba oenda kumotikari yake
ndokundobaya baya misuwo yese ndokuti waruu mudenga
zvaifadza meso. Akabaya radio yake yaive ne booster
achiridza rwiyo rwaifarirwa namai vake, Mumoyo
yaMahendere;

Handingakanganwe Mwari zvamunondiitira,


Mazuva ose,
Mwari Munondigonera.
Zvizhinji, Mwari zvamunondirwira,
Iwo mazuva ose …………..

Musha wese wakapedzisa kurongedza nekubika wave


kuimba, kutamba nekurumbidza Mwari. Mabiko akange
atanga. Victor aibudisa twubhodhoro twake twe whisky
achinwa ari kwake ega.
Masikati vanhu vakawanda vakazouya, hama neshamwari
vakaungana vachipemberera upenyu hwamai Makoni.
Vakadya, vakagocha vakatamba, vakaimba vakaseka vakapa
zvipo.
Victor akange akatarisa vanhu vese vachifara pamba apa
akanzwa sekuru vake vaive mushamarari wezuva iri vave
kuti; “Iwe Vicky, vanhu vese vapedza kupa amai vako zvipo.
Iwe handina kukuona kuti wavapa chii. Uya pano, chii
chawapa tete vangu nhasi.”

Page | 7
Victor akanyemwerera achipfeka magirazi ake matema
achienda paive nasekuru vake ndokundovazevezera achiti;
“This party sekuru inga ndini ndaisa mari yese. What else can
a son do?”
Sekuru vakaseka ndokutaurisa muMicrophone vachiti;
“Vatete, kwanzi neFirst born yenyu taurai anything
chamunoda ndikupei as your 50 th birthday present.” Vanhu
vese vakaita ruzha kupa amai Makoni zvekutaura.
Victor akarova sekuru vake kumusana achishamisika
nezvavakange vataura. Sekuru vakasvetuka ndokuenda kure
naye ndokudaidzirazve vachiti; “Mwana wenyu tete zvaari
kutaura pano, hanzi a holiday in Maldives, or paduze apa
Capetown, or jet or yacht, or an Island …………”
Mai Makoni vakasimuka ndokuti; “Zviiko izvozvo
handina basa nazvo. Ndoda kuti Vicky aroore. Shuwa
ndongonzi mai Vicky ndachena musoro kudai. Ndave
kufaniraa kunzi mbuya ini. Ndipe present iyoyo iwewe
nemukadzi wako muende kuMaldives kwacho ikoko muri
muJet, zvinodyiwa herevo.”
Vanhu vese vakaseka, Victor ndokufamba achibva
paakange akamira nasekuru vake oenda kuseri kweimba.
Vanhu vakambotamba nekuimba asi zuva rakange radoka.
Vanhu vakatanga kuenda kudzimba dzavo.
Maud naRodwell neshamwari dzavo vakazobatsirana
kurongedza nekusuka zvese ndokubva vabudawo voenda.
Rodwell akabuda nemotikari yamai vake achiperekedza
shamwari dzake mumwe nemumwe kumba kwake.

Page | 8
Mai Makoni vakabuda ndokutarisa tarisa vachitsvaga
Agnes uyo akange asara ega ndokuti; “Ko zvawasara wega
mwanangu, womirira Roddie azokuperekedza?”
Agnes akabva ati; “Ndazononokesawo, amai vatora
motikari yavo, vaenda earlier.”
Mai Makoni vakatambidza Agnes kapasuro ndokuti;
“Waita basa mwanangu, zvirambe zvakadaro.”
Agnes akatyora muzura ndokutambira zvaakange apiwa.
Victor akabva asvika paive namai vake naAgnes.
“Nhai Vicky perekedzawoka Agnes kumba kwavo.” Mai
Makoni vakazodaro.
Victor akangonyemwerera ndokunongedza kumotikari
yake. Agnes akaoneka mai Makoni zvakare ndokufamba
voenda kumota yaVictor.
Pavakabuda muchivanze, Agnes akatanga kuudza Victor
mugwagwa wekutevera asi Victor akatyaira akananga
mudhorobha.
Akatarisa musikana ndokuti; “Handisi kukuba. Ndoda
kundotsvaga fuel. I am going back to H early morning saka
ndoda kurara ndine full tank.”
Agnes akangonyemwerera ndokunyarara.
“So Agnes you are a nurse…….. that’s nice. Kuri sei kubasa
kwako?” Victor akabvunza.
Agnes akabva ati; “Ndizvowo, it’s a rural place, very busy
vanhu vese vekumapurazi uko ndokwavanouya. Musango
chaimo handikufariri.”
“So iwewe, ungade kushanda muHarare?” Victor
akabvunza zvakare.

Page | 9
Agnes akati; “Chaizvo but nzvimbo dzacho dzinonetsa.
Ndinenge ndaiwana sei? Pese pandaitsvaga kuma Private
Clinics vaingoti vanotove over staffed.”
“Which hospitals?” Victor akada kuziva.
“Avenues, Westend and MediPark. MediPark my number
one choice.” Agnes akadaro.
Victor akambotyaira akanyarara ndokuzoti; “Ok, send me
a message paWhatsApp ine your full name, date of
qualification and the qualification. Your email address and
contact number. Tora phone yangu apo iyo uzvifonere and
get my number.”
“Munokwanisa kundiwanira basa kuHarare?” Agnes
akabvunza achifara zvakanyanya.
“Why not? Let me try. Why would a beautiful, young and
brilliant girl like you stay kuVillage? Rega kuende vana
Nyamukuta vave near retirement.” Victor akadaro vese
ndokuseka.
“I like you, actually, I am attracted to you. Waitira amai
vangu something nice. Vakupa chiiko amai, ndaona
vachikupa something.” Victor akadaro.
Agnes akavhura handbag yake ndokubudisa kapasuro
kaye kange kakaputirwa. Akavhura ndokuona mune perfume
yaive yerudzi rweChristian dior. Agnes akazvipfapfaidza
achitadza kuvanza mufaro waive nawo.
Akatarisa Victor ndokuti; “I guess ndimi makatengera
amai venyu this perfume.”

Page | 10
“Kana vachipa iwewe then ndichavatengera more from
Paris.” Victor akadaro achiseka ndokumisa motikari odirisa
peturo.
Vakazobva apa voenda kumba kwana Agnes, vese
vakange vafarirana asi vese vakanyara kutaura kuti dai
vamboramba vari vese.

Page | 11
CHIKAMU 02

Victor akabva asvikirana pamba naRodwell. Vakandomisa


motikari vese, Rodwell ndokutungamira onanga paveranda
paive pakagara amai vavo vari vega.
Victor akatarisa nhare yake ndokuona message yaakange
ati Agnes amutumire. Akabva aitumirawo kune munhu
waaiziva. Akabva angofonerwa ipapo ipapo.
“Boss, consider that done.” Inzwi rakadaro, rakatizve;
“Medi Park it is.”
“Send her something on email, manheru ano. Pane zviri
kuitika. Ndokuona Monday nhaika.” Victor akadaro.
“Pachedu boss.” Inzwi riya rakadaro. Akabva anyaradza
nhare yake ndokuendawo paveranda paive namai vake.
Amai vakasekerera vakatarisa vana vavo vakomana.
Victor akadhonza chigaro change chakatarisana namai
vake ndokuti; “Amai, I think zvamati munoda for your
birthday ndinokupai. Ndawana wandinoda.”
Mai Makoni vakanyemwerera nzeve dzovava nekuda
kunzwa. Rodwell akatarisa mukoma wake achishamisika.
Vese vakanyarara vomuterera, Victor ndokuti; “That Agnes
girl, ndomuroora even next month.”
Rodwell akabvunda akatarisa mukoma wake. Amai
vakaridza mupururu. Vakabva vati; “Bva idzo two minutes
dzamatobuda mose matoronga muchato?”
Victor akaseka ndokuti; “Not really mhai, I saw that she
was comfortable with me. And we enjoyed being together.

Page | 12
Ndichamuudza kuti I want to marry you. Chitangai
kugadzira muchato wangu, your dream wedding mhai.”
Rodwell akazhambatata; “Nooo, hazviite!” Akazvidzora
ega nekuti amai nemukoma wake vakamutarisa
vachishamisika nehasha dzake.
Akabwaira bwaira ndokuti; “Mukoma Vicky, I mean……..
auntie Shuvai variko, she is your girlfriend for six years now
…………”
“Shut up! Shuvai is a business associate. Chete. I need a
decent wife.” Victor akadaro achida kutorova munin’ina wake
nembama.
“Ko Shuvai ndiani wandisingazive wandisina kumboona?”
mai Makoni vakabvunza.
“Like I said mhai, she is a business associate.” Victor
akadaro.
Rodwell akabva ati; “Ko kana Aggie akakurambai? How
can you introduce musikana wamusati mapfimba kuna
mamma?”
“Noone says NO to me.” Victor akadaro.
“Ko kane aine boyfriend yake……..?” Rodwell akadaro
zvakare.
Victor akashama n’ai ndokuti; “Anomurambaka.”
Rodwell akabwaira bwaira ndokushaya zvekureva.
Akatarisa mukoma wake ndokutarisa amai vake. Akabva ati;
“Mum please, mukoma Victor is not the best man for Aggie.
Vaudzei.”
Amai naVictor vakaseka chaizvo vese ndokuti nguva imwe
chete; “Asi iwewe nhai?”

Page | 13
“I don’t mean that. Mukoma, Agnes is a youth secretary
and deaconess. Imimi hamuende kuchurch. And mune vanhu
venyu, vakadzi venyu…….. Agnes anozoita sei?” Rodwell
akadaro.
“Wakagarisa mumba mangu, unofunga kuti you know m e
stereki…….” Victor akadaro nhare yake ndokurira. Akatanga
aratidza Rodwell kuti Agnes ndiye aifona ndokuzodavira.
“Hie babes. Ndaiteiko kufonerwa nemunhu ari kuisa
confusion in my camp so?” Victor akadaro ndokuseka,
Rodwell akafinyama.
“Pane vanonzi Mr Jongwe vandifonera. Vati ndiite email
my CV and Certificates, for a MediPark vacancy.” Agnes
akadaro.
“Yes, is that a problem?” Victor akabvunza.
“Not at all. It’s just that it was too fast. Thank you so much.
Vabva vati musi weMonday vachandiudza kuti ndotanga
basa riini, kwete interview but assumption of duty.” Agnes
akadaro zvakare achifara chaizvo.
“Great. I am glad kana zvaita zvauri kuda.” Victor akadaro
achisekerera. “Maita henyu, I don’t know kuti ndokutendai
sei.” Agnes akadaro.
“We will talk again. Goodnight.” Victor akadaro
ndokukanda nhare yake patafura.
Vese amai naRodwell vakada kunzwa kkuti yaive nyaya
yei. Victor akabva ati; “Ndatsvagira Agnes basa kuHarare,
ndomuonera pedyo, pasina prying and judging eyes kuti
deaconess vari kuitei naRude-boy.”

Page | 14
Amai vakaseka Rodwell ndokuramba akanyarara. Victor
akatarisa munin’ina wake ndokuti; “Iwe mupfana what’s your
story nemusikana uyu? One, hauna mari to take care of a
woman. Two she is way older than you, she needs a man not
a boy. Wako musikana ari grade one now wanzwa. Now,
make yourself useful, enda undosuka mota yangu ndiri
kudzokera kuHarare na4am, early tomorrow morning.”
Rodwell akadhonza makumbo ake ndokufamba ondosuka
mota yamukoma. Amai namukoma vakasara vachitaura
zvekuroora kwake nedzimwe nyaya dzaiitika muhama dzavo.
Kunyange vakaedza kuti Victor ambogarawo pamba
kwemazuva asi vakatadza. Zuva risati rabuda, akabva apinda
mumugwagwa odzokera kuHarare.
Sekuronga kwakange kwaita Victor, Agnes akazotanga
basa kuHarare mwedzi wakatevera. Musi waakaitwa
interview akabva apiwa basa nekuudzwa musi waaifanira
kutanga basa. Akabva angorongedza mukwende ondogara
Harare. Akasvikira kumba kwavatete vake, kuMabvuku.
Victor aiuya kuzomuona nguva nenguva kusvika vadanana.
Akabva atsvagirwa Flat yekugara yaive muna Bishop Gaul
Street kuma Avenues.
Zvese izvi zvakaitika nenguva pfupi pfupi zvekuti
musikana akatenderera musoro. Victor akange amuratidza
humwe hupenyu hwaaisaziva. Hwekudya mari nekufara
nekutamba. Zvese zvekuve deaconess, nekuve musikana
aizomirira muchato akazvikanganwa achimbunyikidzwa
naVictor achitungamirirwa, chake kwaive kutevera. Akave
mudzimai waVictor vabereki nechechi vasati voziva.

Page | 15
Nedzimwe nguva aitombofunga kana Rodwell naVictor
vaisave vana vaamai vamwe chete. Maitiro avo nemafungiro
avo akange akasiyana zvakanyanya.
Sezvaida Victor, mushure memwedzi mipfumbamwe
vadanana, vakabva vaita muchato wavo muMasvingo.
Vakaita muchato vakagara pamabhiza machena nemuChariot
yainge yaQueen Victoria yaidhonzwazve namabhiza machena
aya. Agnes nehama dzake vakapiwa zvakapfuura
zvavaitarisira.
Amai vake nemadzitete vakamuraira vamurairazve kuti
mukwasha akadai uyu ndewekusungirira pamoyo. Agnes
akange ave Mrs Makoni, mudzimai waVictor, maiguru
vaRodwell.

Page | 16
CHIKAMU 03

Mushure memazuva matatu vachata, Agnes naVictor


vakaenda kumba kwavo kuHarare vachindopfuurira kuenda
kuVictoria Falls kuHoneymoon yavo. Vese vaifara uye
vachitaura nezvakange zvaitika pamuchato wavo.
Vakaenda kuVictoria Falls nendege ndokuzotorwa nemota
yekuElephant Hills Hotel kwavaizogara. Yakave nguva
yekuzorora kwavo kubva kuvanhu vakawanda uye kubva
mukumhanya mhanya kugadzirira muchato wavo.
Vakandokurumidza kudya manheru aya, na6pm vange
vatogara vodya. Mushure vakaenda mumba mavaizorara,
semazuva ese, Victor aive netwudoro twake twaiita
setwakadzidza kuPrivate School twukazoenda kuHarvad
University.
Vachiri kutandara kudaro, nhare yaVictor yakarira
ndokubva adavira; “What now? You know you can’t do
that……………. Please Shhhu……. Ok ok, on my way.”
Victor akamuka paakange akarara akaisa musoro
pamakumbo emukadzi ndokupfeka mbatya dzake. Akaisa
nhare muhomwe ndokuti; “Pane munhu wandiri kuda
kumboona ndinodzoka manje manje.”
“Kupi? Unodzoka nguvai?” Agnes akadaro achivhiringika.
Asi murume haana kupindura akamutsvoda padama
ndokubuda oenda.
Agnes akasara ndokumbotamba nenhare yake achiona
mifananidzo yemuchato wake. Akatumirawo imwe
paInstagram nekutaura neshamwari dzake. 9pm yakachaya
Page | 17
murume asati adzoka. Akafona nhare yaVictor, yakarira
kusvika yanyarara isina kudavirwa. Akatanga kutumira
mamessage paWhatsApp, airatidza kuti averengwa asi pasina
mhinduro dzaiuya. Akatumira voice note achipopota chaizvo
asi hapana mhinduro yakauya. Paakazoedza kufona, nhare
yakange yadzimwa.
Agnes akaita hasha. Akambomirira zvakare,
paakazopepuka achivhunduka achiona murume asina
kudzoka asi pave pakati peusiku, akatanga kutya. Akaedza
nhare yamai Makoni, mai Vicky asi vakange vararawo.
Akabva azofonera Rodwell, akangotanga nekupopta
achitsanangura zvakange zvichiitika kuHoneymoon yake.
Rodwell akaseka ndokuti; “Hooo hooo hoooo, start again
Aggie, what happened? Maisepiko murume wenyu on
honeymoon night nhai mai Makoni?” Rodwell akadaro
achiseka chaizvo.
Agnes akaridza tsamwa ndokuti; “Asi uri kuziva
kwaaenda? Ndiri kukuudza kuti angodaira phone
ndokutobuda achimhanya.”
“Wakanganwa weekend iya tiri kuGreat Zimbabwe, before
you got married? Paakadaira phone yake akabva atodzokera
kuHarare? Ndikatokubvunza kuti ko zvikazoramba
zvichiitika mumba menyu uchadii. Zvasiyana chii nhasi?”
Rodwell akayeuchidza mumwe wake.
Agnes akambofunga ndokuzoti; “That was for business
Roddie mhani, and he apologized, waida kuti aite sei? Nhasi
it’s supposed to be our honeymoon night. How can he do this
to me………” Agnes akatanga kuchema.

Page | 18
Rodwell akambonyarara ndokuzoti; “Sha, we are hundreds
of kilometres apart. Ndoita sei zvawave kuchema? I suggest
chirara, your husband anouya makuseni. Don’t worry.”
“How insensitive can a bridegroom be nhai Roddie? I will
not forgive him for this.” Agnes akadaro misodzi ichiyerera
afunya chisero pakati pezimubhedha raikwana mhuri yese.
Akatura befu reshungu ndokuti; “Ok, ndave kurara hangu
like you said. But mukoma wako anobva kuno nembonje
chete.”
Rodwell akaseka ndokuti; “No, haudaro ukangomuona
chete…… akangoshama muromo ndiwe unototi sorry. That’s
why I am saying don’t stress, chirara.”
Nhare yakabva yanyarara, vese ndokurara. Agnes akaedza
nhare yaVictor zvakare, yakange yakadzimwa, aiziva kuti
haina kupera battery nekuti yakange yakazara moto
paakabuda nayo. Agnes akaridza tsamwa ndokurara.
Akamuka zuva rabuda, akatarisa nguva akaona yave 9am.
Victor akange asina kudzoka, hapana message kana
kufonerwa kwakange kwaitika. Kana kubuda kundodya
akatadza. Akaramba akarara asina mufaro. Akambobata bata
mbatya dzake ave kufunga kudzokera kuHarare ega. Victor
aifanira kuzodzoka pahotera apa achiwana asisipo anzwewo
kurwadza kwazvo.
Nhare yake yakarira ndokusvetuka kudaira, akange ari
Rodwell. “Gules, muri sei?”
“What do you think? Wakataura nemukoma wako? Tell
me that at least.” Agnes akadaro nehasha.

Page | 19
Rodwell akambonyarara ndokuzoti; “Ok, handina kutaura
navo asi ndakataura nemunhu wandinoziva kuti anoziva
kwavari. Saka don’t worry, vanodzoka. Order expensive food,
walk around the Falls, do some shopping and enjoy yourself.
You are booked for five days, this is just day two madame.
Enjoy.”
Agnes akaridza tsamwa ndokukanda nhare pasi. Akabva
adzokera kurara neshungu.
Agnes akazopepuka achinzwa ave kubatwa kumeso. Hope
dzekusarara zvakanaka husiku hwakange hwapfuura
dzakange dzamutsikirira.
“Ko kurara kudai zvekusanzwa knock? Ndatonokumbira
rimwe card to open the door. How are you my love?” Victor
akadaro akagara pamubhedha.
“Uri kubva kupi? Wakarara kupi?” Agnes akadaro
achipukuta maziso achiswedera kure nemurume.
“Just business. You will love the benefits and the results.”
Victor akadaro.
“How can you leave me alone on our honeymoon night Vic
iwewe? Is this the marriage………?” Agnes akadaro misodzi
yave kuerera. Victor akahwetura mudzimai ave
kumuswededza padyo ndokumutsvoda. Murume akaseka
ndokuti; “You are too sweet, hauna kufitwa nekupopota.
C’me on, let’s take a bath and drive around the place.”
“Not until waa….. ndiudz….a……….. kwawang…….”
Agnes akadaro Victor ndokumusimudza ave kundomuisa mu
bath tub. Akamugezesa achimubata zvakazopedzisira
zvonakidza kusvika hasha dzese dzapera.

Page | 20
Vakazoswera zuva rese vave kutenderera nekutenga
muVictoria Falls. Zvekuita nekuona zvakazowanda zvekuti
mukadzi akazokanganwa usiku hwaakange arara akagara
nemisodzi padama.
Mushure memazuva mana vakabva vazodzokera kumba
kwavo kuHarare. Agnes akange achine masvondo maviri
asingaende kubasa. Rodwell aivepo achienda kuchikoro
kwake. Uye Victor aiita zvemabhizimisi ake.
Vakavhura zvipo zvemuchato wavo ndokutanga
kurongedza mumba mavo. Zvese zvainakidza, mukadzi
achitenga zvitsva nekubvisa zvehubhachura hwemurume
wake. Akave mazuva aifadza vese, vachigara vari vatatu.

Page | 21
CHIKAMU 04

Nemumwe musi weChishanu mangwanani, mwedzi


mitatu yakatevera, Agnes akange asiri kuenda kubasa
akafuma achigadzirira murume wake nababamunini Roddie
kudya kwamangwanani sezvo vaibuda vese. Iye aizobuda
zuva rakwira, otenderera mudhorobha. Akagadzira tafura
ndokudzokera kumusoro kwaive nedzimba dzekurara.
Akawana Victor ave kugeza, iye ndokuwaridza mubhedha
nekurongedza mumba umu.
Nhare yaVictor yakabva yarira, Agnes akatarisa ndokuona
zita raMadam S richiratidza pairira nhare. Akasiya zvakadaro
achiti Victor aingozofona apedza kugeza. Asi nhare yakarira
zvakare.
Akabva adavira, asati ataura akanzwa; “Iwe Vicky ita
serious. Ko sei usina kuuya last night? Wifey is keeping you
busy I see. But zvekuVic Falls zvoda kudzokororwa zviya, it
was exciting knowing kuti mukadzi wako ari mu next
door……… dai vasiri Honourable vakazoti ndipinde
muFlight ya12 kairara futi kega kari paPhone……… Ko
wakanyararirei? Hallo, hallo……”
Agnes akaisa nhare paDressing table asina zvaakataura,
Victor ndokupinda achibva kundogeza. Akangosimudza
nhare yake ndokuti; “Hallo…. Ndiani?”
“Ko ndiani adavira phone yako……….. ndaona
wanyararisa ndikazvishaya.” Inzwi rakadaro. Victor akaziva
munhu aitaura ndokuti; “I will call you back.”

Page | 22
Akatarisa Agnes uyo akange amira akabata muchiuno.
Victor akafuratira ndokutanga kuzora mafuta akanyarara.
Agnes akatevera ndokurova murume mbama kumusana.
“Haunyararika kunge pasina chaitika. Saka madama S
ndovawaive navo on our honemoney night? Business? Are
you a porn star? Business rawaiita nemukadzi mubedroom,
usiku hwese nderei?” Agnes akapopota. Victor akaswedera
kure ave kupfeka mbatya dzaakawana aisirwa pamubhedha.
Agnes akatevera ndokubvuta zvese achikanda pasi.
Victor akaseka achidzungudza ndokuenda kuWardrobe
otsvaga zvimwe zvekupfeka. Akapfeka akapedza mudzimai
achipopota akabata muchiuno.
Murume akazobata bata nhare yake ndokuti kuna Agnes;
“You know what Agnes, pese patakadanana and when I
proposed to marry you, waisaita semunhu ane noise. You are
now irritating me. What is your problem?”
Agnes akaswedera padyo ndokutiwo; “You know what
Victor, pese patakadanana, and when I said yes to your
proposal waisaratidza kuve a cheat and a liar. Wave
kundibhowa. Too many secrets, questionable female friends,
ndiyo marriage yacho?”
Victor akaridza tsamwa ndokuti; “Why are you answering
my phone? Ini wakamboona ndichibata phone yako here?
Siyana nephone yangu tive nerugare mumba muno.”
Agnes akaseka nehasha achizvirova maoko ndokuti;
“Hezvo, so that’s your solution? Handifanire kubata phone
yako nhai? So that you can continue cheating, lying and
entertaining prostitutes next door? Really? Meaning nothing

Page | 23
will change, hapana chaunoda kushandura zvachose
pamaitiro ako aya anondibhowa.”
Victor akatora key dzemota nemamwe mafaira ebasa rake
ndokufamba achibuda. Agnes akambogara pamubhedha
achishaya zvekuita. Akabva atevera ndokuwana mukoma
nemunin’ina vakagara patafura vave kudya. Akagara
akavatarisa akagumbuka, achifemereka nekuruma ruma
muromo zvaionekwa navese.
Victor akazoti; “Leave ngaichipera munhu aende kubasa.
Kana mukadzi asina zvekuita anotoshanda iwewe murume
wacho. Chiitai mimba mai Makoni muwane mwana
wekunyangadza saizvozvo.” Akaseka ndokusimuka obuda.
Rodwell akatarisa maiguru vake ndokuti; “Are you ok?
What happened?”
“Anonzi madam S ndiani?” Agnes akabvunza Rodwell.
Rodwell akaseka seka ndokutakura satchel raive
nemabhuku ake ndokubuda. Agnes akawedzera hasha, asi
pakange pasina chekuita. Aifunga Victor oridza tsamwa.
Manheru emusi uyu, vese vakange vapedza kudya
vachiona bhora mumba mekutandarira. Agnes akaenda
mumba mavo mekurara ndokutora nhare yemurume wake.
Akatsvaga nhamba dzakange dzakanzi Madam S
ndokudzishaya. Akaenda kuCall log yemusi uyu
ndokutsvaga nhamba dzakange dzafonera Victor
mangwanani. Akabva angodziwana dzaaida. Akadziisa
mufone make ndokutarisa kuWhatsApp. Akaona chat name
rakanzi Shuvai. Kuti ndozvaireva Madam S? Paive
nemudzimai wechikuru, angaite makore 45.

Page | 24
Akabva afona nhamba iyi achishandisa nhare yaVictor,
inzwi rakadaira ndokuti; “Hie my love. Ndange
ndichitokufunga. I can’t sleep. This new arrangement
yekumbokushaya iri kurwadza………..”
“Shuvai or whatever your name is, Victor is now married,
and can you just respect that.” Agnes akadaro nehasha.
Nhare yakambonyarara, Shuvai ndokuzoti; “Zvaune
dzungu nhaiwe? Ndauya kumba kwako here? Vic akakuroora
ndiripo wani? Dai ndaida kuroorwa naye tingadaika
takaroorana kare kare, iwe tisingakuzive.”
“Regera zvekufonera murume wangu……….” Agnes
akadaro.
“Undikwanire, ziva kudya mari dzatinoshanda wakagara
mumba. Ndomudii Vic wandakadzidzisa bonde?” Shuvai
akabva anyaradza nhare.
Agnes akanyarara achifunga zvaakange audzwa, munhu
uyu aiziva Victor zvakanyanya. Uye inzwi raive rechikuru
semufananidzo waakange aona paWhatsApp profile picture.
Akapererwa ndokusiya nhare yake oendawo kundogara
nevamwe.
Pakapera bhora, Victor akabva angoenda kundorara.
Rodwell naAgnes ndokusara vega vachiona Movie yaiveko
musi uyu.
“Anonzi Shuvai ndiani?” Agnes akabvunza babamudiki
vake. Rodwell akangozvaura meso ndokuramba akanyarara.
Agnes akaenderera; “Hausi kuda kutaura? Ndiye akange
ana mukoma wako on our honeymoon night. Ndiye anogara
achimufonera but nekuti ndakange ndisina kumbotaura naye

Page | 25
ndaiti ndezvekubasa kwake. Pandataura naye
akanyatsoratidza kuti vanoziva zvekutodanana chaizvo.”
Rodwell akandandama; “Gules….. mataura naShuvai?
Hooo….. eheee…. Ndezvekubasa kwamukoma.”
Agnes aive nehasha, kusataura kwaRodwell
kwaimuwedzera; “Kubasa, kubusiness kwekuti tinobhukirwa
same hotel musi weHoneymoon yangu? What is that?
Akateverera chii kuHoneymoon yedu? Anombove ani?
Girlfriend?”
“Madii mataura namukoma nyaya iyoyo?” Rodwell
akazodaro.
“Haapindure uyo, anondibhowa mukoma wako.” Agnes
akaridza tsamwa, ndokutizve; “Ndamufonera ndikamutuka”.
“Nooooo gules no, eish, muchatipinza maOne chaiwo
imimi.” Rodwell akadaro.
Victor akanzikwa kufambisa achidzika manera aibva
kudzimba dzekurara. Vese vakamutarisa achifambisa
akapfeka mbatya dzekurara nadzo.
“Ko ndakati usabate phone yangu, what exactly is your
problem mukadzi iwewe?” Victor akadaro akamira pamberi
pemudzimai wake.
“What kind of disrespect is that, kuti unoenda
kuHoneymoon nepfambi yako?” Agnes akadaro.
Victor akarova Agnes mbama, mukadzi akaita dzungu,
akamuwedzera dzimwe mbama mbiri kumusana. Agnes
akayuwira nekurwadziwa kwenyama nemoyo. Rodwell
akasimuka obata mukoma wake.

Page | 26
“Listen iwewe Agnes, handidi kuramba ndichitaura
chinhu chimwe chete, wanzwa? Is it a crime now kuti
ndakakuda ndikakuroora? Kana kuve married kuchireva
hondo neni pack your things and leave my house.” Victor
akafemereka nehasha. Aida kumurova zvakare asi Rodwell
akamubata.
Murume akange atsvuka meso; “Handisi kuzokanganiswa
business rangu nemunhu wandakasangana naye nezuro
wanzwa? Shuvai is my business partner and it will stay like
that. Nothing you say or do will separate me from Shuvai.
Take it or leave it. Une dzungu stereki. Kuroorwa neni, k unzi
Mrs Makoni wotoona sewave zimbuya redzinza
rekwaMakoni rinoudza munhu wese zvekuita. I did not sign
up for this rubbish. Waitwei? Uri kutaurirei nevanhu
vasingade kutaura newe? Watsvagwa nani? Ziva zvekubika
kukitchen uko and be in my bed when I want you. Nonsense.”
Victor akabva afamba odzokera kundorara achisiya
mukadzi achichema akagara paLeather sofa. Akange
akagumbatira designer cushion raakange atenga Online
kubva kuNew York.
Rodwell akandogara padivi pamaiguru vake ovanyaradza,
vakashaya kana zvekutaura kana zvekuudzana. Vakamboita
nguva vakagara chinyararire ndokubva vazosimuka
vondorara.
Agnes akanyahwaira ndokundopinda mumagumbeze
padivi pemurume wake, akange asingade kumumutsa, aitya
hovhiyo yaakange atanga. Akafuratira achiswedera kukona
kwemubhedha asingade kumugunzva.

Page | 27
Victor akabata mukadzi wake ndokuti; “Handina kurara
ini. Ndange ndakakumirira, handisi kutorara nhasi. Bvisa
zvawakapfeka izvi and behave like the wife that I married, b e
available. Unouya pabed wakapfeka, kuzodii manje? You are
married, behave as such.”
Agnes akada kuridza tsamwa asi akatya kurohwazve.
Zvisinei akaita sezvaidiwa nemurume kusvika kwaedza.

Page | 28
CHIKAMU 05

Pazuva rakatevera, mumba maVictor Makoni makafuma


makanyararwa, pakazobuda murume nemudzimai wake
mumba mavo mekurara, babamudiki vakange vatoenda.
Vese vakange vakanyarara, hapana akada kutaura nyaya
yakange yaitika usiku hwakange hwapfuura. Murume aiseka
nechomumoyo kuti akange agona kuisa mukadzi wake
panzvimbo. Zvekusatererwa, kujairirwa nekubvunzwa
zvisinei nemumba mavo zvaifanira kupera.
Mudzimaiwo akange aine bundu pamwoyo, kunzi
rongedza uende kwakange kwamurwadza zvakanyanya.
Aifanira kufarira kugara mumaitiro emurume wake akange
asina tsarukano zvakadaro? Aifanira kubvuma barika
raakange awana riripo. Akanyepera kusekerera kuti mumba
muve nerugare asi aive nevanga pamusoro pemuchato wake.
Victor akatsvoda mudzimai wake ndokubuda oenda
kuhofisi kwake. Agnes akasara ega ave kurongedza
kuzotangawo basa musi weMuvhuro. Asi akange akatsamwa
zvakanyanya. Kana kubuda kuti aende kudhorobha musi uyu
akatadza.
Panguva dzekudya masikati, Rodwell akabva adzoka
pamba.
“Are you Ok? Vicky akakurova futi?” Rodwell akabvunza.
“Aiwa, inga wakamunzwa zvaakataura wani. Akati I must
make a choice. Kugara netwunyaya nyaya twake
twusingapere kana kudzokera kumba kwedu. Who does
that?” Agnes akadaro misodzi yazara mumaziso.
Page | 29
“Munhu anonditadzira, anondihurira on my honeymoon
night, ondirova, ondidzinga futi? Who…… what kind of a
husband is that?” Agnes akachema mhere yekurwadziwa.
Rodwell akagara pasi achishaya zvekutaura. Agnes akabva
ati; “Ndiri kufunga first time pawakandibvunza kuti ndinoda
chii pana Victor. Dai ndakanyatsoterera zvawaitaura
ndingadai ndisiri mu fake marriage iyi.”
Rodwell akaramba akanyarara, Agnes ndokuti; “Vic is
exciting…….. glamourous…….. but like all the glitz and
glamour, zvinoitirwa kunze kwemusha, kwete mumba. Vic is
not for marriage.”
“Akati chii?” Rodwell akabvunza zvakare.
“Nothing more……. Zvaakatotaura muno zviya kuti
Shuvai is there to stay…… and I must choose…….., decide to
be ‘his second wife ka’ ” Agnes akadaro achirwadziwa nezvaive
muupenyu hwake.
Rodwell akabva ati; “So wasarudza chii?”
“I will stay. Ndodzokera ndonoti chii kuvabereki vangu?
Murume anofonerwa naShuvai saka handichamudi?” Agnes
akazviseka ndokunyarara misodzi yazara mumaziso. “Rudzi
rwedu hatina enough reasons dzeDivorce, nekuti
ndichitomuramba munin’ina wangu chaiye mwana wamai
vangu anogona kutouya onditsiva. Saka ngatitambei tese
tijairane.”
Rodwell akasimuka ondogara padivi paAgnes. Vakabatana
maoko vachinzwisisana paushamwari, kwete samaiguru
nabamunini.

Page | 30
Agnes akazoti; “Nhai Roddie, chindiudzawo about
Shuvai…….. ndianikowo? At least ndikaziva zvakawanda I
will stay away from their relationship in peace. Hapana
chandichatsvaga pamusoro pake or anything chinoita Victor
outside this home.”
Rodwell akambofunga ndokuzoti; “Promise me haubvunze
mukoma or kufonera Shuvai wacho zvachose.”
“I promise. Besides kundirova kwaakaita, he chose to
protect Shuvai wacho, saka ndingadii hangu?” Agnes
akadaro.
“Ok, I feel bad about this. Ndaifanira kukuudza
pamakatanga kudanana but vese mukoma naShuvai wacho
promised me kuti haakukanganisii mumba muno. I am sorry
sha.” Rodwell akadaro.
Agnes akadzungudza akabata shaya ndokuterera. Rodwell
akambofunga ndokuti; “Shuvai is just a business partner
wamukoma sekutaura kwavanoita. Mukadzi mukuru,
muhombe kwavari ne 15 years chaidzo, asi they are friends
with benefits. Vatove ne six years vari vese as boyfriend and
girlfriend, asi zvakabva pakuita business vese.”
Rodwell akambonyarara achida kuona kuti Agnes azvitora
sei, ndokuenderera; “Saka like he said havaparadzani. Shuvai
aimbove mukadzi waAmbassador vaive kuQatar,
ndokwavakasangana namukoma. Ambassador vachizofa,
Shuvai aitambisa mukoma front pane mamwe maBusiness in
Qatar and a lot of other things. And kana vari muno Shuvai
anotererwa nemaMinisters achiwanisa mukoma Tenders.

Page | 31
Saka kuparadzana kwavo can mean the collapse of Vic’s
business empire. Saka havasiyane. Ndozvandoziva chete.”
Agnes akazembera musofa akapeta maoko ndokuti; “S aka
in simple words uri kuti iwewe, ndiri pabarika nechembere
iyi for the rest of my life?”
Rodwell akada kugutsurira asi akagumira munzira. Vese
vakambonyarara.
Agnes akasimudza musoro maziso azara misodzi ndokuti;
“But God why? All my life I prayed for a good husband,
ndaida murume anotya Mwari, ndaida marriage yechokwadi
kwete mahumbwe aya. Handisi kuona kusiyana kwekuromba
nezviri kuitwa naVic naShuvai ini.”
Rodwell akaramba akanyarara, Agnes ndokutizve; “You
know, after last night ndakanyatsoona kuti handimude ini. I
am sorry Roddie to say this, but…….. the excitement
yemuchato and all those fancy things zvaaindipa yakapera.
Iyezvino ndichiedza kujaira upenyu hwake, ndobva
ndasengedzwa mutoro wezijembere, ziSugar mummy
rake……Shuvai. Handizvigone ini. Ndakakanganisa
kuroorwa namukoma wako.”
Rodwell akazoti; “Nhai sha……… wadii kuita sezvavari
kuda kuti uite?”
“Kuita sei?” Agnes akabvunza asinganzwisisi.
“Stay married to him, but don’t expect the love. Use his
money to make yourself happy. I will support you. Uri gules
sha but you are my best friend, nothing has changed.”
Rodwell akadaro.

Page | 32
Vakatarisana ndokunyemwererana, Agnes akatura befu
ndokuti; “Life was unfair to us Roddie. Inini newe taifanira
kungoroorana.”
Rodwell akamonera ruoko rwake nekumusana kwaAgnes,
maiguru ndokuisa musoro pachipfuva chababamunini.
“Don’t stress love, I will always be with you, always……”
Rodwell akadaro ndokutsvoda amaiguru vake pahuma.
“Roddie iwe, why does it have to be like this? Sei
tisingakwanise kudanana zvisiri cheating…….” Agnes
akadaro.
Rodwell akasimuka ndokuti; “You were not patient.
Wakavharwa nana Vicky vemari ava ukandikanganwa. Now
we are back where we belong.”
Agnes akaramba akanyarara, Rodwell ndokuti; “I think
you are over thinking this. Relax. Things will be better.”
“Victor anondibhowa, he is a bully, it’s his way or no way.
Ndorarama saizvozvo kusvika riini?” Rodwell akaramba
akanyarara ndokutsvoda maiguru vake padama. Vakaita
nguva vakagukuchirana pasina mashoko.
Manheru aya, Victor akauya nemotikari itsva yaakapa
mukadzi wake, yaive BMW. Agnes akafara nekuti aizofamba
nemotikari yakanaka zvaionekwa nevanhu vese vaiziva kuti
akange abva mukuchata. Victor akataurawo kuti amai vavo
vaizouya pasvondo raitevera.
Apo vakange vave kurara, amai vakafonera muroora wavo
vave kumuudzawo kuti vaizoshanya. Vakaseka nemuroora
wavo vachimubvunza zvaaida kuvigirwa. Victor akasiya
madzimai vachitaurirana panhare ave kundogeza.

Page | 33
Agnes paakapedza kutaura akaona message yaive panhare
yaVictor yaibva kuna Shuvai, yakange yakanzi; “I hope she
liked the car, kana akagona kudzikama next time I will
consider some bigger wheels.”
Agnes akatarisa maKey emotikari yaakange avigirwa
ndokuatora opotsera kumadziro neshungu. Akadhonza
makumbo ave kutevera murume kundogeza. Victor
akazviona kuti mumwe wake akange asisina mufaro waive
nawo pakutanga, akafunga kuti akange atsamwira kuuya
kwamai vake.
Asi paakazoona kiyi dzemotikari dziri pasi, nemamessage
akavhura akaziva zvainetsa mukadzi waakaroora.

Page | 34
CHIKAMU 06

Sekurairana nekutsiurana kwakange kwaita Rodwell


naAgnes, mukadzi akakwanisa kusiyana nezvaaiti haafarire
pamusoro pemurume wake. Asi pese paibuda Victor m um b a
pakati peusiku kana kudavira nhare yake akazvivharira
mumba mevaenzi, Agnes aiwedzera kusada murume wake.
Asi zvakange zvisingataurike, vaigara pamba zvakanaka,
hapana chaaishaya. Zvese zvainetsa airairwawo nevaaiudza
kuti ngaasiyane nazvo, zvaive mupfungwa dzake kuti
murume wake pane zvakaipa zvaari kuita.
Imwe shamwari yake yaakange asiya kuKiriniki
yekuMachinyonyo kwaakange abva ndiye akaseka achimuti;
“Hapana imba isina zvayo, asi kuchemedzwa nemurombo
asina chinhu shamwari pakaoma. Pauri kuchemera ipapo pari
nane, garapo. Kunze kuri worse. Kunopisa.”
Svondo rakauya amai vavo mai Makoni, vese vaifara kuve
namai vavo mumba. Sezvo vaive Headmistress, mai Makoni
vakange vauya kuWorkshop yevakuru vezvikoro
yavakaitirwa neUNICEF muguta reHarare. Saka zvakare
vaibuda mumba vese mangwanani mumwe nemumwe oenda
kubasa kwake. Amai vaifamba naRodwell neimwe motikari
yaVictor, ndiye aindovasiya paConference Centre
nekuzovatorazve manheru.
Manheru emusi weChitatu, vamwene vakaenda mumba
mekubikira maibika muroora wavo ndokundogara vakatarisa
zvaaiita. Vakabva vazoti; “Saka mugere henyu zvakanaka
nhai mwanangu?” Mai Makoni vakabvunza.
Page | 35
Agnes akanyemwerera ndokuti; “Ehe amai, no problem.
Victor anondichengeta zvakanaka.”
“Ko kuwirirana kwenyu? Hapana zvinonetsa?” Mai
vakabvunza zvakare. Victor akabva apinda akapfeka
kabudura neT-shirt ndokugara padivi paamai vake.
“Aiwa amai, hapana hapo.” Agnes akadaro.
Mai vakatarisa Victor ndokuti; “Mukadzi wako aonda
pane zvaaive asati achata. Kwakanaka?”
“She looks fine to me. Zvadii?” Victor akadaro ndokuseka
akatarisa amai vake.
“Ko mwana munoita riini?” Mai vakadaro zvakare.
Mukadzi nemurume vakatarisana, murume ndokuti; “Udzai
muroora wenyu asiye contraceptives.”
“Ko iwe Aggie, mapiritsi ndeeyi munhu achangopinda
mumba?” mai vakadaro Agnes ndokuramba akanyarara.
Mai vakazoti; “Ndaitaura naMaud achiti iwe Vicky
unorova mukadzi. Ndokuita sei ikoko? Wakanyanya kurebesa
nguva yehubhachura hauchagone kuterera vamwe………”
“Roddie……. ndiRoddie ane makuhwa iwayo. It just
happened once over a silly issue which we resolved. Hapana
nyaya yekuti munhu angatoudza hama dzese kuti
vanorovana as if ndezve everyday.” Victor akadaro
ndokubuda mumba umu achisiya vakadzi vega.
“Chii nhai muroora? Yaive nyaya yei?” Mai vakabvunza
muroora.
“Vic haadi kubvunzwa kwaanenge ari, kana
kwaanoswera…… but like he said, takagadzirisa and hazvina
kumbozoitikazve.” Agnes akadaro.

Page | 36
Amai vave kuda kupindura, Victor akapinda atochinja
mbatya ndokuti; “Ndichambobuda two minutes ndodzoka
manje manje.”
Agnes haana kupindura, mai ndovakasimuka
vachishamisika ndokuti; “Hezvo, sadza rave kutopakurwa iri
hauzoenda wadya? Saka mukadzi afireiko nekubika iwe
uchingobuda anyhow usina kudya? Wozodya zvatonhora
nhai nhai Viki iwe.”
“Manje manje, ndodzoka.” Victor akadaro zvakare
ndokutofamba achibuda. Mai vakaramba vachibvunza
nekushamisika, asi Agnes akasunga muromo negavi.
Akandoisa ndiro patafura vakadya vari vatatu. Agnes aitaura
nezeve zeve chete kuna Rodwell. Vamwene vakanzwira
nekunzwisisa kugumbuka kwemuroora wavo, vakamusiya
akadaro.
Mushure mekudya vakambotandara vachifunga kuti
Victor achadzoka asi haana kudzoka. Pakachaya 10, Agnes
akaoneka ondorara, amai vakabva vati; “Ko kumboti mirei
kuda murume wako angasvika mwanangu?”
Agnes akaseka chaiko ndokuti; “Aaah, mamma, ko
ndozvamange makamirira? Anogona kudzoka mangwana.
Endai mundorara.” Vese vari vatatu vakati dungwe rongondo
vokwira manera kuenda kundorara. Mumwe nemumwe
mumba make maairara.
Amai Makoni vakaramba vachingopepuka, vaiti
vakangobatirwa nehope kwenguva diki vopepuka votarisa
nepahwindo paimira motikari yemwana wavo. Mumba
mavakange vachirara paive padivi peyemwana wavo

Page | 37
nemuroora, dzine mahwindo aive kugedhe. Uye misuwo
yavo yakatarisana nemusuwo wedzimwe nhatu, imwe yacho
munove mairara Rodwell.
Apo vakange vabatirwa nehope, vakateiwa zvakanyanya
nechiedza chamagetsi emota yaipinda pagedhe. Vakatarisa
nguva vakaona iri 3:30am. Vakamuka ndokumonera zambiya
ravo vachida kundovhurira mwanakomana wavo vari ivo,
mumba make mokutandarira maaizopindira. Vaida
kumutsiura mafambiro ake, vakange vasina kufarira
mafambiro ake, eusiku kudai. Zvaishaisa vamwe rugare,
zvaishaisa vamwe hope.
Vakavhura musuo wavo zvinyoro nyoro ndokubuda.
Vachingoita nhano mbiri mupaseji umu kuti vaende
pamanera vadzike pasi, musuwo wemumba mairara muroora
wavo nemurume wake wakavhurika. Vakamumirira vachiti
aiuyawo kuzovhurira murume wake.
Vakaona kungoti nzveeee, kwemunhu aimhanya. Rume
rairabuka muchadzera chemagetsi epanze risina kupfeka.
Munhu uyu akabuda mumba umu achindopinda mumba
mairara Rodwell. Vakamira vakaterera vachiti vachanzwa
Rodwell otaura, kubuda kana kuridza mhere kuti apindirwa
asi imba yese yakabva yanyarara. Kana muroora haana
kubuda mumba makange mabuda mushwi wemunhu uyu.
Hana yamai yakati mwau kuita sevavhurwa pambabvu.
Vakapotsa vadzokera vadonhera pasi. Vakagamhwa
nemadziro, ndokuzvishingisa ndokufamba vopedzisa rwendo
rwavo.

Page | 38
Vakandogara pasofa vachinzwa Victor achikiya mota yake
nekuzokiinurawo musuo achipinda. Victor akavhunduka
kuona amai vakagara nguva idzi.
“Mhai, kwakanaka here?” Victor akadaro.
“Munhu ane mukadzi mumba haapinde mumba k waedza
seizvi. Uchatorerwa mukadzi. Mukadzi wako achiri mudiki,
anoda murume wake Vikita iwewe, haunzwe here?” Mai
vakataura vachishiringinya kuita sevaitsva nesofa ravange
vakagara. Vaizvirova rova pazvidya nekutya nekuvhunduka
zvavakaona muupenyu hwevanakomana vavo.
Victor akaramba akanyarara. Ivowo amai vakange
vachakavhiringika nezvavakange vaona. Zvese zvavakange
varonga kuudza dangwe ravo zvakange zvabhunywa,
hwakave utunga hwamwaiwa Doom. Mashoko akange
arongerwa kutsiura dangwe akaita semhute yabudirwa
nemushana, nekuda kwenyowani yavakazoratidzwa negotwe
ravo. Rairo yewanano nekugara nemukadzi zvakanaka
kudangwe ravo yakashaya maturo panguva iyi, vakaona kuti
vakange vatangirwa nevechidiki.
Vakasimuka ndokuti; “Mangwana ndoda kuperekedzwa
newe kuConference kwangu uko.” Vakafamba vodzokera
kundorara.
Amai vakasvika ndokugara pamubhedha, ziso rimwe chete
rakabuda musodzi vachiti; “Baba vaViki murume wangu,
ndichavagona here varume vakuru vedu ava vakawana
mukadzi mumwe chete?”
Victor akasvika achipinda mumagumbeze padivi
pemudzimai wake uyo airatidza kuti akafa nehope.

Page | 39
**********
Mai Makoni vakashamisika kutoona Victor ariiye
avamirira mangwanani aya kuti vabude vese.
“Ndati titaure tiri tega Viki iwe.” Amai vakadaro. Victor
haana kupindura, amai ndokuenderera mberi; “Dai wamboita
zveimba yako, mukadzi wako anoda iwewe. Nyangwe riri
basa, chishandawo zvakakosha masikati, kana zuva rapera,
kwadoka, woenda kumba kumudzimai wako. Chamuri
kuregera kuita mwana chii?”
“Oh that’s your issue? Vazukuru? Ndozvamairegera
kurara usiku hwese muchifunga vazukuru?” Victor akaseka
chaizvo achida kurova amai ruoko asi amai vakaramba.
Victor akabva azoti; “About that, it’s actually my fault,
before we got married ndakati Aggie abaiwe depo
contraceptive, so now we are past the three months, rinenge
riri kunonoka kubuda muSystem yake but it’s ok. Soon anoita
nhumbu.”
“Anogoita nhumbu sei iwe usingarari pamba? Hee?
Uchatorerwa mukadzi. Vakadzi vemazuvano vakatsveruka.”
Mai vakadaro zvakare.
Victor akaseka akatarisa amai vake. Amai vakange
vasingaseki, vakabva vati; “Kurumidza kuuya kumba, gara
nemukadzi wako …….. I mean………. Vata nemukadzi wako,
kuvata chaiko chaiko, usambomujaidza, ehe eeeh eeeh.
Kunyatsovata zvomene mwanangu usina kudhakwa, wadya
sadza zimukonde resadza nenyama yakawanda ukaguta.”
Victor akatarisa amai vake nekuti ainzwa kuti inzwi ravo
raibvunda. Amai vakafemedzeka ndokumbomedza mate,

Page | 40
ndokutizve; “Paweekend woitawo twumazondo, twuguru,
pane ka oxtail, kana zvenyu zvekugocha mese,
netwumhiripiri…… ehe eeeh, ehe uchidaro. Mukadzi
haasiirwe vamwe, kana shamwari aiwa, aiwa ……… kana
munin’ina wako chaiye. Mukadzi ndewako wega Victor
iwe……. Ehe eeh ehe ..……. Mukadzi wako ngaazive iwewe
wega. Iwe wega ndiwe unofanira kuita kuti aseke chaizvo.
Kwete kuchemedzwa newe onyaradzwa naRoddie, kana
nevamwe kubasa. Kana mukanetsana izoparadzanai mafara
mese, ngaasazofadzwa nevamwe…….. ehe eeeh eeh. Marriage
hainzarwo mwanangu Viki iwe.” Mai vakazonyarara nekuti
zvavaida kutaura chaizvo zvakange zvisingabude.
Zvaisataurika. Waive mutoro wavo vega samai vakabereka
majaya maviri.
Victor akaseka zvakanyanya ndokuti; “I remember one of
my friends, ane mukadzi akadanana naboss vake. Ndaitosek a
ndichiti it’s one problem I will never have mumba mangu.
Inzwaika mhai, ndakaroora Aggie ari deaconess kuchurch,
after our wedding, ave kuAssembly yekuno kuHarare akabva
aitwa Elder. She is not an ordinary woman so panyaya
dzeCheating my wife is exempted. Secondly, vakadzi
vanohurira mari, which Aggie has. Kana budget handifunge
kuti mukadzi wangu anogona. Kana kuziva kuti anoshandisa
marii pamwedzi, ask her, Aggie haazive.
Victor akambotarisa kumashure nekumativi ave kuda
kuchinja mugwagwa ndokuzoti; “Saka angawanepi boyfriend
inomupa mari more than I do? And thirdly mhai, Aggie is
never alone, either aneni or ana Roddie saka akada kuita

Page | 41
boyfriend anoitirepi? Nguvai? That’s why even vana sekuru
pavaiti Roddie ngaachibuda mumba mangu tisare tega as
newly weds ndakaramba. I know I travel a lot, and Roddie is
her faithful driver and bodyguard. So mai vangu relax, I have
everything under control.” Victor akadaro amira
paConference Center paaizosiya amai vake.
Amai vakatora handbag yavo vobuda mumota. Victor
achiti; “Ndiri kuenda kuQatar for business for two months.
And I am not worried. Aggie will be fine, anochengetwa
naRoddie.”
“Mari yako zvayakawanda, wadii kuti mukadzi wako
arege basa muende mese kuQatar kwacho? Amai vakadaro
votaura nepahwindo remota.
Victor akaseka ndokuti; “Muswere zvakanaka mai vangu, I
am a big boy, musandityira. Bye.”

Page | 42
CHIKAMU 07

Semafambiro ebasa rake, Victor akazoenda kuQatar


kwemwedzi miviri yese, yaive October naNovember. Agnes
naRodwell vakasara vari vaviri mumba, kana kitsi isipo,
makonzo anorasa muswe. Kana pavakabva kundoperekedza
Victor kuAirport, vakazopinda mumba mabhurugwa ave
mumabvi.
Vakange vaona Shuvai paAirport, vakanyepera
sevasingamuzive. Agnes akatsvoda Victor paAirport
akadzvokora Shuvai. Mukadzi achieredza misodzi yegarwe
yekuoneka murume wake zvakabata moyo wemurume asi
yaive misodzi yehasha neshungu.
Kana agogo yaakandotambira Rodwell musi uyu
pamubhedha wemuchato wake, yaive yekutsiva zvaaiziva
kuti Victor aiita nechembere yainzi Shuvai. Vakaita baba
namai mumba umu kwemazuva ese makui matanhatu.
Zvakange zvisina kuitwa naAgnes achiri mhandara ari
kuMasvingo kwazvaive zvisiri vakaita panguva iyi. Rodwell
zvaaitadza kuita nevasikana vaaimbopfimba nekushaya mari,
vakazviitazve panguva iyi. Vaive nemari yekuenda kwavaida,
vaive nenguva yacho. Hapana aivabvunza kwavaenda uye
vaisafamba vakahwanda. Vaive babamudiki namaiguru.
Mukoma Victor vakange vatovasiira vari vaviri izvozvo, kuti
vachengetane.
Pamwedzi miviri yese Rodwell haana kumboenda kumba
kunoona amai vake kuMasvingo. Aive mwana aigaroenda

Page | 43
kupera kwevhiki mbiri dzega dzega asi apa akambochonera
muguta guru reHarare.
Pakadzoka Victor kubva kuQatar, vakabva vangoronga
kuenda vese kumba kuMasvingo. Vese vaifara nezvipo
zvavakange vavigirwa na Victor, baba vakuru vemhuri. Asi
jewellery yese, Agnes aingoibata achizeza kupfeka nekuti
aizviudza kuti yakasarudzwa naShuvai. Zvese zvaive
nechekuita naVictor zvakange zvomusembura, kwaari zvaive
zvaShuvai.
Kumusha kuMasvingo, amai Makoni vaiswerofamba
naVictor kuhama dzavo kwakasiyana siyana uye kuendawo
kupurazi ravo kwaingove kunze kwedhorobha. Agnes aienda
kumba kwavo achidzoka kwavamwene vake aina Rodwell,
semagariro avo.
Musi uyu, Victor akabuda achindoona mukwasha wake
murume waMaud hanzvadzi yake. Amai vakaswera
nevamwe vese mugarden repamba pavo. Agnes aive
mugarden achiratidza usimbe hwake nekusada badza kana
kushanda nemavhu.
Pasina nguva akavasiya ave kupinda mumba kundobika.
Amai vakasara nevashandi vaviri uye Rodwell. Agnes
akasvikogeza ndokuenda ondobika. Pasina nguva, Rodwell
akapindawo mumba umu ndokunwa mvura.
“Yes, my love, sei kunge uri kurwara?” Rodwell
akabvunza achibata huma yaAgnes.
Agnes akabva ati; “Ndiri kunhuhwirwa nema onions
ndosaka ndatiza kuGarden. Endaka undogeza uzondibatsira
kucheka all veggies. Nungo dziri kundiuraya.”

Page | 44
Rodwell akasunga huma ndokuti; “Or uri kuneteswa
nemurume waShuvai uyo. Anombozvirova-rova zi six-pack
rake akakutarisa, achindivhairira achiti hauna kuraraka.”
Agnes akaridza tsamwa ndokuti; “Twujerasi twako
twunondisembura. Akauya ndichirwara. Ndikamuudza kuti
paAirport ndakamuona ana Shuvai, ndikaramba twu lingerie
netwu jewelry twaakauya natwo ndichiti ndiShuvai
akasarudza. Saka tichiri kurwa nenyaya iyoyo, hapana
zvekutadzisana kurara.”
Rodwell akasekerera ndokuswedera padyo ogukuchira
mukadzi. Vakatanga kutsvodana vari mumba mekubikira
mamai Makoni. Sevanhu vakange vangojaira kugara
vakagukuchirana vari vega kwenguva refu, vakavarairwa
zvekuti Agnes akazopedzisira arara patafura nemanhede.
Babamudiki vakamira pasi vachitapirirwa nekutsvoda
amaiguru vakaiswa pakati pemakumbo.
Vakaregedzana pavakanzwa kukosora padyo navo, padivi
pavo chaipo. Amai Makoni vakange vamira pavaive chaipo.
Rodwell akada kutiza, asi amai vake vakamuhwetura
neruoko vachimugadzika pasi. Muroora akadzadzarika
kumuka maji aakange akarara patafura yavamwene.
Akazokwanisa kugara patafura, ndokuzoburukapo
achizvidhonza nekushaya pekubata.
Mai Makoni vakaramba vakamutarisa vachida kuti anyare.
Maziso avo aimushora, miromo yakange yakamufinyamira.
Zvedi Agnes akanyara akanzwa seari kudzipwa pahuro.
Nyadzi dzakaita apere simba mumakumbo akaona apfugam a
pamakumbo avamwene vake.

Page | 45
Mai Makoni vakamubatsira kusimuka ndokumuti agare
pacheya padivi paRodwell. Ivo vakagara vakatarisana
nevaviri ava.
Mai Makoni vakafemedzeka ndokuti; “Mazozvinyanya,
rudo here? chipfambi here? Nhaiwe mwana wekwaChishiri
unoda kuti vana vangu vaurayane? KuHarare ndaikuonai,
mukangosara muri vaviri motoita chadzimira. Roddie
waienda pamubhedha wamukoma wako mazuva ese
ndichikuonai. Ehe, ndaikuonai zvangu ndinyerere.”
Mai vakabata maziso avo ndokuti; “Aya, maziso aya, haasi
maronda. Anoona. Ndakakuonai kare. Kare kare,
muchimonerana senyoka naEva muGethsemane…….. hezvo
muEden.”
“Ko nhasi dai ari mumwe munhu apinda maidii?” Mai
Makoni vakazodaro, vakange vasina chokwadi nezvavaitaura.
Vaishaya kuti votuka muroora here, kana kuti votuka wavo
mwana akange apinda mubindu ramukoma. Kana kuti
muridzi wemukadzi ndiye aida kuudzwa chokwadi apepuke
pane zvaaifunga. Kana kuti votuka vakomana vese kuti
vakange vaunza pfambi mumusha. Amai vakanzwa
kurwadza pakati pemusoro wavo vakatarisa muroora.
Mai Makoni vakabva vati; “Nhaiwe muroora, saka
nhumbu yaunayo ndeyani?”
Agnes akavhunduka, hapana wakange audza…… akange
asingazive kana aine pamuviri, asi aifungira kudaro. Mazuva
ake pamwedzi uyu akange apfuura zvakanyanya. Amai
vakange vazviona sei. Muroora akamonya muromo achishaya
mhinduro. Mumukanwa makange muchiri kuvava nenyadzi.

Page | 46
“That is obvious, kana usina mhinduro saka ndeyaRoddie.
Muri kuona zvamuri kundiitira pano Roddie iwe? Mukoma
wako achati chii?”
Rodwell akatarisa Agnes ndokuti; “Wange uchazondiudza
riini kuti une nhumbu yangu?”
Agnes akadzungudza achiedza kuchema asi musi uyu
misodzi yakaramba kuve mubatsiri wemhombwe. Misodzi
yakamuseka iri kure kure naye. Yakaramba kushandiswa
nhando musi uyu, yaidawo kubatsira vairevesa.
Mai Makoni vakati zvakare; “Ini hangu nhasi panenji
renyu iri, hapana chandaona, hapana chandinoziva. Nyaya iyi
handidi kuitaurazve. Iwe Roddie kana madzokera kuHarare
undobuda mumba mamukoma uende kwako uchindotora
vasikana vako. Usiyane nemukadzi wamukoma.” Amai
vakapopota.
Vakatarisa Agnes ndokuti; “Iwewe nyaya iyi
tichandoipedza kuvabereki vako. Ndikakuvharira
unondiuraira vana vangu, you have no shame. You are a
disgrace to my family. Asi chero mimba yako ari muzukuru
wangu ndongotambira ndogodii. Iwe Roddie, gomba harina
mwana. Hauna mwana iwe……… benzi!! Tichazosangana
nazvo muDNA kana muWill rimwe gore. Kuda ini ndinenge
ndatofa hameno henyu vanenge varipo.”
Amai vakambonyarara vachifemedzeka. Vainzwa kutya
nekupererwa mukati mavo. Vakadhonza nzeve dzaRodwell
ndokuti; “Ubude mumba mamaiguru usati wandiparira ngozi
iwe. Kana Viki akaziva izvi munopondwa mese.
Mhunzamusha……………”

Page | 47
“Kuziva kuti chii nhai mhai?” Victor akadaro akamira
pamusuo.
Vese vakazvaura meso vachitarisa kumusuo kwakange
kwakamira Victor. Dai vakange vasina kugara pasi vangadai
vakadonhera pasi.
Amai vakabva vati; “Haiwa iwa……. Ufunge Viki
mwanangu………. Aiwa zvakaoma………..”
“Akaiteiko Roddie, ndoda kuziva……… where is my
gun?” Victor akacheuka cheuka ndokubata homwe dzake
otsvaga kiyi dzemotikari. Pasi pechigaro chaaityaira akagara
ndipo paive nepfuti yake.
Agnes akapfugama pamakumbo emurume wake, Rodwell
aicheuka cheuka achitsvaga pekutiza napo.
Amai vakabva vati; “Gara pasi muroora ndiudze murume
wako inini. Hapana mhosva isingaregerereki.”
Mai Makoni vakabata Vikita maoko ndokuti; “Mwanangu
Shava, Roddie uyu munin’ina wako, ane musikana
waakamitisa. Pawange usipo apa, uri kuQatar, musikana uyu
aishanya zvakanyanya pamba pako, achitowiriranawo
nemudzimai wako. Zvino ave nepamuviri……………”
Mai vakacheuka cheuka, vachitarisa vana vese vaive
mumba. Victor akaita seoda kuseka ndokutarisa divi
achiratidza kuti haana hanya nenyaya iyi. Agnes akange otura
befu, Rodwell akange ogutsurira kutsigira nyaya yaitaurwa
namai vake.

Page | 48
Mai vakaenderera; “Zvaane pamuviri ange okumbira
amaiguru vake kuti vamubatsire abortion zvavari nurse
kudai. Ari kuti vaone zvavangaite kubasa kwavo kana kuti
vamupe mari yekubhadhara maDoctors. Saka Agnes
aremerwa akandibvunzawo ndonyaya yawawana tichitonga.”
Amai vakatora mugoti waive panosukirwa ndiro ndokurova
Rodwell kumusana.
“Buda muno, ibva pano, benzi risingazive pekukumurira
bhurugwa. Kungotungira pese pese seune shavi. Buda buda.”
Rodwell akasvetuka achitura zibefu rekurarama, ndokutiza
pamba.
Victor akatarisa mudzimai wake ndokuti; “Saka uchadii? I
always tell you kuti unojaidza mupfana uyu. Musiye akadaro,
achazvionera.”
“Amai ndozvavataura, vati ndisiyane nazvo.” Agnes
akadaro.
Victor akafamba achienda mukati memba, akacheuka
ndokuti; “Aggie gadzirira tiende kuGokomere kwamainini.
Ndozvandatodzokera kuzokutora. Mainini vati tiuye
kuDinner kumba kwavo tese nana Maud.”
Amai Makoni vakadhonzera Agnes panze ndokuti;
“Ndinoda kitchen table imwe nyowani iwe mwana
waChishiri. Utore yawasvibisa iyo, tondopa tete vako tsvina
dzako. Ungahurira pandinodyira?”
Amai vakambodongorera mumba ndokucheuka cheuka
ndokutizve; “Udzikamise nhumbu yako iyi, wozoudza Viki
after a full month. Unotodzikama zvaaaakooo. Kurutsa,
kusvipa, kuneta, zvese izvo zvinoitwa nevane nhumbu dziri

Page | 49
straight. Zvara undipe muzukuru wangu ndichengete ndega.
Iwe uri mukadzi wevana vangu.”

THE END

Page | 50
VATEZVARA VANGU

CHIKAMU 01

“Iwe Brian! Brian usarova mukadzi mhani iwe. ” VaKatiyo


vakadaro vakamira pamusuo peimba yairara mwanakomana
wavo nemudzimai wake, Gamuchirai, mai Tapiwa. Mumba
umu mainzwikwa kuchema kwemudzimai nekuroverana
nekubondera kwevanhu pamidziyo. Mainzikwazve kuridza
mhere kwemwana aive nemakore maviri.
“Brian, Brian mhani!” VaKatiyo vakadaidzira zvakare
ndokubva musuwo wazovhurwa. Brian akabuda akapfeka
kabudura ndokusaidzira baba vake obuda panze. VaKatiyo
vakaramba vakamira pamusuo vakaterera muroora
achipfikura kuchema. Vakaita nhano mbiri ndokusvika
pamusuo, vakadzokera shure ndokuti; “Mai Tapiwa
mwanangu, ndakagara pamasofa.”
Vakabva vafamba ndokundogara pamasofa mumba
mekutandarira vakamirira muroora wavo. Vakamirira
kwenguva yakareba, Gamuchirai, kana kuti mai Tapiwa
akazopinda mumba maive navatezvara vake achikamhina.
Akasvika ndokugara akatarisana navatezvara vake.
“Hanziiko zvakare nemurume wako? Brian achandinetsa
uyu. Zvino munorovana mwana arimo honai
mamuvhundutsa.” Baba vakadaro.

Page | 51
Mai Tapiwa vakapfikura pfikura ndokuti; “Ari
kundirovera musikana uya wekuBhovha Primary. Teacher
uya waari kufambidzana naye mazuvano.”
Baba vakadzungudza musoro ndokuti; “Brian achakurawo
riini nhai? Ko mwana wenyu zvaakura inga wani.”
“Auya muShop baba, akatora groceries, zvimwe achitora
kuStoreroom. Ndokundopinda mumota iye musikana wacho
arimo.” Gamuchirai akadaro zvakare. VaKatiyo vakapererwa
ndokuramba vakanyarara. Muroora akange oyeredza misodzi
chinyararire. Vakanzwa misuwo yave kuroverwa vese
ndokumbonyarara vakaterera. Vaitarisira kuti Brian achauya
kwavaive asi haana kuuya.
“Ndave kundorara baba.” Gamuchirai akasimuka
ndokunanga muimba yavaenzi yaive padyo neimba
yekutandarira. Mudhara akamboramba akagara achifunga
zvekuita ndokubva azosimuka oenda kundorarawo.
Pazuva rakatevera, muroora akafuma achitsvaira nekuita
mamwe mabasa epamba. Brian nababa vake ndokuenda
kuTownship paJahana paive nechitoro neBottle Store yavo.
Nekuda kwezvakange zvaitika madeko, baba nemwana
vakange vasina nyaya. Brian akaenda kuBottle store, baba
ndokuenda kuchitoro. Vasikana vaitengesa umu vakange
vamira pamusuo vakangokwazisana vasikana ndokupinda
ndokutanga kutsvaira nekukorobha, varidzi vebhizimisi
vachigadzirisa chenji dzezuva iri.
Baba vakazoenda kuBottle Store kwaive nemwanakom ana
wavo. Vakawana akagara panze achiputa fodya yake.
“Brian, haudi mukadzi here?” Baba vakabvunza.

Page | 52
“Ariko kumba wani. Zvaita sei?” Brian akabvunza
achifuridza hutsi hwefodya kumeso kwababa vake avo
vakakosora ndokufamba voenda divi rakange risina hutsi.
“Saka hovhiyo yese iyi ichapera riini?” Baba vakabvunza.
“imimi nana mukoma makandimanikidza kuroora.
Ndaroora aripo pamba. Moda kuti ndidii?” Brian akadaro
ndokutsikitsira.
“Ukatadza kugarisana nemukadzi uchaita rombe iwe.
Uchashaya nechauchaita chine musoro muupenyu hwako.
This time vana mukoma vako ndovaudza, wazvinzwa.
Handichavanzi hunhubu hwako ndichikurwira.” VaKatiyo
vakadaro.
Brian akaramba akanyarara ndokukanda chigusvani
chefodya pasi ndokuchitsika.
“Iyezvino mudzimai wako akarara mu spare bedroom,
hauna kana kutevera. Uchapinza mhepo mumba kana
akawana anomusekerera kunze uko. Iwewe handiti une
vasikana vako kunze kwemusha?” Baba vakadaro zvakare.
Brian akaridza tsamwa ndokunyarara.
Baba vakambofuratira sevoenda ndokudzoka vachiti;
“Uende kumba undotaurirana nemudzimai wako. Zvekurova
mukadzi zvipere. Ukazviita zvakare ndokudaidzira
mapurisa.” VaKatiyo vakafamba voenda kuchitoro chavo.
Vakawana musikana aishandamo ave kupukuta masherefu,
ivo ndokutengesera vanhu vashoma vaivemo.
Takesure musikana aitengesa muBottleStore akasvetuka
ndokudonhera pasi pamberi paBrian apo akazongoona Brian
ave pamusuo. Akange akati kwati nemadziro achiterera

Page | 53
zvaitaurwa nababa nemwana. Aiziva kuti kana Brian arwa
nemudzimai wake mai Tapiwa, aisaverenga mari,
yaingotorwa yodyorerwa. Saka iye Takesure aizowanawo
mukana wekuba yaaidawo. Paive ne Brazillian Weave yaaida,
yakange yakafanana neyaticha vakange vachangouya
vakapfimbwa naBrian. Vakange vamusvota chaizvo nekuti
akange aona seave kuhwina shefu vake ava vaigara
vachingodzingirirana nemukadzi wavo. Vakange
vambomuchonya nekumuginyabvura akazvifarira. Dai asiri
mutemborari uyoyu, akabvepiko nhandi.
Brian akapinda muBottle Store ndokuvhura sefa yemari
ndokutora yese. Akarongedza mabhotoro ehwahwa
mukarhori kavo ndokundomira pamusuo wechitoro.
Akaridza mheterwa kuna baba vake avo vakangomutarisa.
“Ndakuenda kuGokwe Centre mudhara. Ndonotenga
maScud nemaLager. Pane chamuri kuda?”
VaKatiyo vakambofunga kusapindura ndokuzoti; “Inini
hapana chandiri kuda asi ukandobvunza mudzimai wako ane
zvaanodawo kubva kwauri.” Brian akadzungudza ndokuseka
achienda kumotikari yaakange arongedza. Akabva aenda
kuGokwe Centre kwaakandoswera zuva rese.
Panguva dzekudya masikati, vaKatiyo vakaenda kumba
kwavo ndokuwana mai Tapiwa, Gamuchirai akagara panze
nemuvakidzani wavo aivewo shamwari yake.
Mudhara akanyemwerera achikwazisa varoora, akamira
mira paveranda achidemba kupisa kwezuva. “Ari sei Amos
nababa vake nhai mwanangu mai Amos?” VaKatiyo vakadaro
kuna sahwira wemuroora wavo.

Page | 54
Mai Amos vakasimuka vachiti; “Vanofara havo, vari
kubasa kuchikoro kuBhovha uko.” Mai Amos vakatizve;
“Ndave kuenda ndange ndauya kuzoona mai Tapiwa ava.”
Vakati “mai Tapiwa ava” vachinongedza ziso rakange
rakazvimba nechibhakera.
Mukuru akanzwisisa zvairehwa akanyara nazvo. Akabva
angopinda mumba vachiteverana naTapiwa akange
asimudzwa nasekuru vake achifara zvakanyanya.
Sekuru nemuzukuru vakandogara patafura yekudyira, mai
Tapiwa ndokuuya nendiro dzavo voisa patafura. Vakadya
vese chinyararire, vachipota vachitarisa paive nechigaro
nendiro isina munhu. Ndipo paigara baba vaTapiwa, Brian.
Vese vari vaviri hapana akada kutaura nezvake. Vakadya
vakapedza, sekuru vakapinda mumba mavo mekurara
nemuzukuru wavo ndokumbondozorora. Amai vemwana
vachisuka ndiro dzavo. Hapana akange aine mufaro.
VaKatiyo vakange vari murume aive nemakore 56
ekuberekwa. Vaive nevanakomna vavo vatatu. Wekutanga,
Arnold aive nemakore makumi matatu nerimwe chete 31
years, achiteverwa naCharles aive nemakore makumi maviri
nemapfumbamwe, 29 years. Vaviri ava vaive maChiremba
kuBotswana. Gotwe ravo aive Brian aigara nababa pamusha
wavo paJahana Township kuGokwe.
Amai vevakomana ava vakange vashaya makore mashanu
akange apfuura nechirwere chemoyo. Vakashaya Brian ari
Fomu 6. Akabva kundoviga amai ndokundonyora bvunzo.
Akabuda nemapoints maviri paaiita Maths, Biology
neChemistry zvakange zvaitwa nanamukoma vake.

Page | 55
Mhuri yese yaitarisira kuti achaitawo Chiremba sevamwe.
Iye akafarira kupomera rufu rwamai vake kuti
ndozvakamutadzisa chikoro asi aiziva hake kuti
aisazvikwanisa. Akaramba kudzokorora ndokubva andoita
kosi yePharmacy Technician. Paakange ave mugore retatu
achidzidza nekushanda kuzvipatara zvavaiendeswa
kwakasiyana siyana vakatanga kuba nekutengesa mishonga.
Uye kutengesa imwe mishonga yainzi nemutemo webasa
inobatwa naPharmacist naChiremba chete.
Vakabatwa vari vatatu ndokubva vadzingwa chikoro
vakanzi vaisada kuonekwazve mune zveutano. Akatanga
achinyepera baba vake nemadzikoma ake asi pakazopiwa
vamwe zvitupa zvavo zita rake rikashaikwa, vana mukoma
vakazowana akavanyeurira chokwadi. Hapana akafara nazvo.
Vese vakabva vamusiya pamusha ana baba. Mazuva aya
chitoro nebhawa zvakange zvapera basa. Vakomana vakuru
vaichengeta vabereki vavo nemari dzavaitumira.
Asi kunwa nekudhakwa pazvakanyanya, vana mukoma
nababa vakagara naBrian pasi voronga naye nezveupenyu
hwake.
“Iwe Brian, tiudze kuti tokubatsira sei. Tikakurega uri
pano uchaparadza pfuma yese yababa sezvawakaita Shop,
and tichagara tichirwa.” Mukoma Arnold vakadaro.
Brian akatsikitsira ndokuti; “Handidi kudzokera kuita
imwe Course. Ko ndikaenda hangu kuSA ndipei mari ye
Passport.”

Page | 56
Charles akadzungudza ndokuti; “Kana uchida support
yangu inini gara pano nababa, uvabatsire business.
Wakajaidzwa stereki iwewe.”
VaKatiyo vakatarisa Charles ndokuti; “Chirega kudaro
munin’ina wako tione way forwad. Mukoma Ano mange
matii?”
Arnold akabva ati; “Ngaagare pano then toisa mari
pabusiness renyu for the next three months, mukaita mese
zvinobuda. Then maybe angaitawo zviri nane neupenyu
hwake.”
Brian akatsikitsira akanyarara. Arnold ndokuti zvakare;
“And dai waroora. Tokubatsira kuroora mukadzi wako
mogara mese sezvo amai vasisipo kudai. Panobva paita
pamusha chaipo pane chiremerera. So uri wega unongoita
sembavha and unorara kuBottle Store uchitamba Pool ne Slug
serombe.”
Baba vaKatiyo vakatarisana negotwe ravo vese
ndokutsikitsira. Charles naArnold vakazviona
vakambonyarara vachida kuti vaviri ava vataure asi hapana
chakataurika. Charles ndiye akazoti; “Baba you are too
protective of this dropout of yours. Kana business iroro
rikazotadza kubuda, mese muri vaviri ndokusiyai. No
support from me. Chii? Akaitei?”
“Taura wega nyaya yako Brian.” VaKatiyo vakadaro. Brian
akasunga huma ndokuramba akanyarara.
VaKatiyo ndovakazotsanangura; “Pane musikana
wekuZhombe akambouya pano nemukoma wake achiti ane
nhumbu yaBrian. Inini ndakange ndisipo, ndakazonzwa

Page | 57
nevavakidzani saka imhosva yakatimirira. Brian anonzi
akamuramba akavadzinga.” VaKatiyo vakadaro kuvana vavo.
Charles akaseka zvekushora. Arnold ndokuti; “Saka
uchadii iwe Brian? Unoda kuzoendeswa kuCourt
kuMaintanance? What an embarrassment to our name.”
“Ndoroora nepocket money here yamunondipa?
Handinaka chibhanzi chacho you guys.”
Arnold akamutarisa ndokuti; “Unoda kuroora?”
Brian akagutsurura ndokuti; “Handiti ndozvamoda kuti
mundipe business.”
“Ok, muudze atizire tichiripo kudai. Baba mopa benzi
renyu mombe we will replace them later. Abve aroora.”
Charles akadaro ndokurova gotsi raBrian nembama.
Ndiko kuuya kwakaita Gamuchirai Mabwe mumusha
maKatiyo. Vana maiguru vake madzimai emadzikoma aBrian
vakamufarira chaizvo. Vaigotadza nei ivo vakange vawana
musikana webasa wemahara aizovachengetera vatezvara
vavo. Vakange vabaiwa nekutsvaga vasikana vebasa
vachienda pasina nguva. Vamwe vaitiza Brian
aivashungurudza, vamwe vainetseka kugara pamusha pane
varume vega. Asi mainini Gamu kana varoorwa vakaita
musha wavo vaizogara zvisina mashoko.
Mainini Gamu vakatsigirwa chaizvo vakaenda navatete
vavo kuBotswana kwavakandosununguka mwana wavo
mukomana Tapiwa.
Vakatengerwa mbatya dzemwana dzese uye midziyo yake
yemumba mekubikira. Kana iye akafara nekutenda vana
amaiguru vake. Vese vakamukomekedza kuti achengete baba

Page | 58
uye abatsire murume wake kufambisa bhizimisi ravo.
Gamuchirai akafara, akange apiwa nyembe dzekuve mai
Katiyo, Mrs Katiyo.
Zvese zvaakazoita pamusha apa, aiita nemoyo wese achida
kufadza vemhuri vaimuda nekumutsigira. Mazuva aya Brian
aifarawo zvakanyanya. Kuuya kwemukadzi wake pamusha
kwakange kwaita kuti vana mukoma wake vamuone
semunhu. Vakange vomuremekedza, vakange vomuita baba
pamusha.
Chitoro chakatanga nekuiswa pendi itsva, vakagadzirisa
masherefu. Vakagadzirisa Bottle Store nekutenga zvese
zvaidiwa nezvidhakwa. Mai Tapiwa vakaisa kaRestaurant
kavo kavaitengesa nyama yakagochwa nemhiripiri yainaka
zvakaita mbiri. Kana vamwe vemabhazi vakange vouya apa
kuzodya, vozopfuurira kuGokwe Centre. Zvainakidza, Brian
aigara achiseka achiti; “Zviri kufaya mudhara.”
Nguva dzichifamba, mari nebasa ravo zvichijairika, Brian
nemudzimai wake vakatanga kurwa. Vasikana vaida Brian,
vakange vasina basa nazvo kuti ane mukadzi nemwana
mumba. Vamwe vaimuseka kuti akange akurumidza
kuroora. Vamwe vaiseka Brian kuti inga mukadzi wako
anenge chembere, kunge muhombe kwauri.
Zvese izvi zvakabvisa rugare muwanano yaBrian. Meso
ake akatanga kuona zvaaisaona kare, nezvaisavepo.
Gamuchirai akange angowedzera kusimba kubva
paakasununguka. Zvekuve chembere kwaive kutaurisa
kwevaida kudya mari yake kusvika kwaedza.

Page | 59
Gamuchirai akatanga kusada kuenda kuchitoro, akange
aneta nekurwa nevasikana vaizvimisa misa senhunzi
pamurume wake. Kana vatezvara vakange vonyara kubata
mapope emuroora nevasikana vemumaraini vaiuya
kuzotenga.
Gamuchirai akazofunga kugara kumba, aienda kuchitoro
kundobatsira kana mumwe wevasikana akundikana kuuya
kana pamahorodhi vanhu vakawanda.
Musi uyu vakange varwira mudzidzisikadzi akange
achangouya kuBhovha Primary school. Aive mudzidzisi
wemutembarari, asi pamwedzi uyoyo akange atofema femo
rimwe naBrian murume waGamuchirai.

Page | 60
CHIKAMU 02

Pamazuva ese akatevera, Gamuchirai akange


akakwindimara asingataure kana murume wake aripo.
Aitaura nekuseka navatezvara vake kana neshamwari dzake.
Asi nababa vemwana akange akasunga mwoyo newaya.
Aidawo kukumbirwa ruregerero, asi murume wacho akange
asina hanya nazvo.
Apo Gamuchirai akanzwa kuti baba vake vaMabwe
vakange vachirwara, akafunga kundovaona achindozorora
kuchema pamusoro pemurume wake. Musi waasvika, tete
vake vakabva vasvikawo vachizoona hanzvadzi yavo
yakange yasimbirwa nemusana nemakumbo.
Murwere aidzimbikana akakurumidza kundorara,
madzimai emusha ndokusara vari vega.
Vatete vakatarisa Gamuchirai ndokuti; “Inga watoonda
namai Tapiwa? Zvawaifona uchichema musi uya hazvina
kupera here?”
Gamuchirai akatsikitsira ndokuti; “Munoti zvichapera
here? Dai imba yangu isina kutsigirwa nemhuri yese kuda dai
ndakatodzoka. Ndakatorambwa naBrain. Ndangove
mushandi wemumba mavo.”
Amai navatete vakatarisana, amai ndokurwadziwa moyo
nemwana wavo zvekuti vakashaya chekupindura. Vakamirira
tete kuti vagadzirise nyaya iyi.
“Chinyatsotaura zvese nhai Gamu. Ko isu tiri kuti
matukano emumbaka isu.” Vatete vakadaro.

Page | 61
Gamu akarereka musoro achirwadziwa; “Hapana
chatinomboita tese, anongotamba neshamwari dzake,
anoswera kuShop kana kuGokwe. Akauya tinongoitawo
nyaya kana baba, sekuru vaTapiwa varipo. Tikasara tega
hapana nyaya anenge ari pafoni yake. And iyezvino anogona
kutodaira Foni yake achitaura nevasikana ndiripo.
Anozofamba hake achibva pandiri asi ndinenge ndatoziva
kuti ari kutaura nehure.”
“Ko ukasabvunza, asi ukangoita zvaunofanira kuita
semudzimai wake. worega zvekufundumwara kana
kumubvunza nhai Gamu. Kuti ashaye chaangakupomera.”
Vatete vakadaro zvakare.
Gamuchirai akanzwa shungu nehasha kuzara maari.
“Zvakatooma hazvo. Nhai tete pane munhu anoda kugara
akatsamwa here? Murume anobuda akapfeka white jeans
akawachwa zvakanaka, achinhuwirira. Ndamubikira nice
food, oenda zvake kundotandara nevamwe vakadzi. Ini ndini
imbwa yake inosara pamba pake yakarinda property yake?
Ndonzizve ndimusekerere achidzoka neandaweya
yakashandikwa. Veduwee, ndiyo imba yacho here?
Kuchenesa munhu kuti andopfimba vamwe vakadzi. Odzok a
kwandiri akangotsamwa kuti ndisamutanga. Ndikabvunza
ndorohwa.”
Madzimai akagovana kurwadziwa kwaive naamai
vechidiki ava. Vese vakaona kuti mwana wavo akange
achiremerwa neimba yake.
Mai vaGamu vakabva vazoti; “Nhai tete, mati aite seiko
mai Tapiwa uyu?”

Page | 62
Gamuchirai akatarisa amai vake maziso ake azara misodzi
ndokuti; “Ndapera rudo inini amai. Brian handichamuda.
Ndodzoka hangu kumba. Kana ndikambodzoka ndoona k uti
anotevera achizoti chii kwamuri mese. Ndiri kutofunga kuti
haamboteveri.”
Mai Gamu vakadzungudza musoro, ndokuti; “Aiwa aiwa
haudzoke. Dai vasiri vana babamukuru vako veBotswana
baba vako vangadai vakafa kare kare. Dhokota weHarare uya
watakandoona handiti takamuudzwa nababamukuru vako
Arnold? Guchu remapiritsi anoita kuti vaswere vakatogarawo
nevamwe handiti ndoveBotswana ivava vari kutumira? Ko
magirosari atinouya tichingotuta muchitoro? Kana ukadzoka
totofa heduzve.”
Vese Gamuchirai navatete vakaona kuti amai vaitaura
chokwadi. Machiremba ekwaKatiyo vaizoramba vachirapisa
nekutengera mishonga baba vemukadzi akarambwa here?
Hakuna zvakadaro. Gamuchirai akarwadziwa achiona kuti
aive chibairo chemhuri yavo. Akaeredza misodzi.
Mai vaGamu vakabva vati; “Imi tete hamuna zvamunoziva
miteuro kana mipfuhwira here murume waGamu adzik am e?
Zvekusiya imba hapana hapo. Hatidi kana kuzvinzwa.”
Vatete vakarembedza muromo vachipererwa ndokuti;
“Kana tobva kuno, toenda tese ndombondoita mazuva maviri
kwaKatiyo ndinzwe kuti iye baba Tapiwa anoti chii.”
Gamuchirai akaramba akanyarara, akange asingade
kudzokera kwaKatiyo asi akange aona kuti hapana zvekuita
vaizoenda vese.

Page | 63
Vatete vaGamu vakandogara kwaKatiyo kwemazuva
matatu, pazuva rekutanga ravakasvika, Brian haana kurara
pamba. Paakazouya akanyara nyara achitsanangura kwaaive.
Haana kuvapa mukana wekumubvunza zvaaida. Asi
akatandara navo achivaonesa nzvimbo nekutenga
zvekuswera vachidya nekunwa. Kana naivo vakapedzisira
vatukirira mwana wehanzvadzi yavo nekusatenda murume
ane rudo nehama saBrian.
Zvisinei, vatete nasekuru Katiyo vakazogara nevaviri ava
pasi vovaraira pamusoro pekuremekedzana mumba. Vatete
ndokufuma vodzokera kwavo kwaChirumuhanzu
kwavakange vakaroorwa.

Page | 64
CHIKAMU 03

Mushure meSvondo rese vatete vaenda, wakange uri m usi


weMuvhuro apo Brian akapinda mumba make pakati peusiku
achibva kwaaiziva iye. Semazuva ese, Brian aishandisa musuo
wekuseri opinda omutsa mudzimai wake oisirwa sadza. Musi
uyu Gamuchirai akaramba kumuka pakati peusiku kuti
adziise sadza.
“You are stupid, even tete vako vanotondipfugamira inini
kuti usabve pano. Handichada sadza rakadziiswa, ndoda kuti
ubike fresh now now” Brian akadaro achidzvova hwahwa
hwakanhuwisa imba yese.
Gamuchirai akafuga musoro ndokuramba akanyarara.
Brian akadhonza magumbeze zvakasvota mukadzi uyo
akamuka ndokunhonga bhutsu yakange yakumurwa
nemurume omutema nayo. Vakatanga kurovana, mukadzi
ndokukurirwa ndokubva aridza mhere mambama onaya
kumeso kwake.
Paakakwanisa kutsukunyuka pakubatwa kwaange
akaitwa, mukadzi akamhanya muPassage umo akasvikowira
mumaoko avatezvara vaiuya kuzorandutsira. Akabva
ahwanda kumashure kwavo ivo vopopota vakatarisana
nemwanakomana wavo. Brian haana zvaakataura asi kutora
gumbeze ondorara pasofa mumba mekutandarira. Zvakabva
zvatanga zvakare zvekutadza kutaurirana asi
kufundumwarirana vachitaura nemaziso.
Pazuva rakatevera, mai Amos vakauya kuzoona shamwari
yavo wavakange vanzwa mhere pakati peusiku. Vaviri ava
Page | 65
vakagara mumba mekutandarira ndokunwa tii nemabhanzi
akange zvakanywa namai Tapiwa.
Mai Amos vakatsenga tsenga ndokuti; “Iwe murume wako
unomuregerera stereki iwe. Ko zvatakati umboenda kumba
kwenyu atevere agoripa vabereki vako wakazodii?”
Gamuchirai akarereka musoro ndokuti; “Amai natete
vakaramba, vakati hazviite. Hanzi imba inoshingirirwa.”
“Unoziva baba Amos vaitoti haabve kuchikoro uko kuna
Miss vaye. Tea break, lunch and pavanochaisa na4pm anenge
aripo achingomberereka nemota dzekuShop kwenyu.
Masikati machena. Nyangwe icho chipfambi chacho
anyanya.” Mai Amos vakadaro.
Gamuchirai akapeta maoko ndokuti; “Shamwari hauna
zvimwe zvekuti titaure here? Paunouya ndinotofarawo kuti
ndimbobvisa pfungwa dzezvinorwadza zvandinoitirwa
nababa Tapiwa. Manje iwe unobva wauya ne fresh
information inondirwadza.”
“Sorry wena, ndinenge ndichiti uzive zviri kuitika
muupenyu hwako. Uzive zvauri kurwa nazvo.” Mai Amos
vakadaro.
Gamu akaramba akanyarara, mai Amos ndokuti; “Ko
unoda kuti pazongouya mumwe mukadzi achiti ane nhum b u
yemurume wako here?”
Gamu akabata kumeso kwake ndokuti; “Izvozvo
ndakatozvitarisira nekuti mumba muno tave kutosvitsa three
months pasina bonde. Kana murume achirara newe
wakashama pamubhedha mumwe chete asingakubate
ndokutorambwa kwacho. Pane ari kumunakira inini

Page | 66
handisisiri mukadzi kwaari. Ndangove musikana wavo
webasa nababa vake pano.”
Mai Amos vakazvaura meso vachishamisika; “Wati kudii?
Mwedzi mingani? Pasina chii? Aaaaah inga wakaoma.
Ndosaka wakadhinhwa, chekugarira hapana wena. Ndosaka
wonyanya kuchenama mazuvano, pane chiri kushota. Sorry
hako wena.” Mai Amos vakaseka chaizvo vachirova mumwe
wavo maoko uyo akangonyemwerera.
Gamuchirai akasimuka ndokuti; “Rega ndinorarisa mwana
mubedroom ndikuperekedze. Ndoda kuzoayina mbatya
dzese dzandakawacha nezuro.”
Akabva abuda ndokudzoka ave ega, akawana mai Amos
asimuka amira pamusuo. Mai Amos akabva ati;
“Wandidzinga wena mai Tapiwa. Sorry hako kana ndataura
zvisiri izvo.”
Gamuchirai haana kupindura, vakafamba vese kusvika
pagedhe, Gamuchirai ndokuvhara gedhe nekukiya
sezvavaigara vakaita kuti pasawane anopinda vasingazive.
Akadzokera mumba, musoro uchirwadza nekufunga.
Pachokwadi akange asina zvekuita, aive ega, nhamo yake
hapana waaikwanisa kuudza, amai natete vakange vachiti
vakatogadzirisa. Shamwari yake kwaingove kutaurisa
nekuwedzera marwadzo. Pasina shanduko yaaiunza.
Akashaya kana wekuudza. Asi akabvuma mumoyo make kuti
rudo naBrian pakange pasisina.
Gamuchirai akazvikanda pasofa raikwana kugara vanhu
vatatu, ndokuzembera akatarisa mudenga akavhara maziso.
Akatora tauro rekuberekesa mwana raakange asiyapo

Page | 67
ndokuvhara kumeso kwake achitsvaga simba
nekuzvishingisa. Misodzi yekurwadziwa nekunyadziswa
kwaaiitwa munharaunda yakaerera nematama ake.
Achichema kudaro akavhara maziso akanzwa kuti pane
munhu akange akamira pamberi pake. Akavhunduka
ndokuvhura maziso achipukuta misodzi. Baba vaKatiyo
vakange vakamira mberi kwake. Pavakatarisana baba
vakabva vagara pasi padivi pake.
“Mai Tapiwa, moyo wangu unorwadza zvakanyanya kana
ndichikuona uchichema nekushungurudzika zvakadai.”
VaKatiyo vakadaro. Gamuchira akadhonza kadhirezi
kaakange akapfeka kakange kasiya zvidya zvese panze.
Aikapfeka ari ega ozoisa zambiya pamusoro kana akanzwa
kugogodzwa kwegedhe. Vakasanganidzana maoko paibvi
remuroora, vatezvara vachiedza kumubata kuti
vamunyaradze.
Vakatarisana, vese hana ndokurova ndokunzvengesa
maziso. Baba vaida kuti mwanasikana asimuke avasiye vega
asi akaramba akagarapo. Muroora aida kuti vatezvara
vamusiye ega, ko handiti vaifanira kunge vaenda kuchitoro
chavo here? Vaiitei pamba nguva idzi. Zvaireva here kuti
vakange vanzwa zvese zvaakange ataura namai Amos?
Vatezvara vakabata muroora pabendekete ndokuti;
“Ndanzwa uchiudza shamwari yako kuti mumba mako
naBrian hamuna bonde…….. ndonhamo yanguwo kubva
amwene vako zvavashaya……… Ini ndiri nane ndakafirwa
ndinoti hapana munhu………. Ko iwe mwana mudiki akadai?
Brian atipa muedzo.” VaKatiyo vakazopedzisa kudaro ruoko

Page | 68
rwave pakati pemakumbo amai Tapiwa. Vakamutaridza
kwavari ndokubva vatsvodana zvenzara yechikuru. Muroora
akabatirira musoro wavatezvara achizviswededza kwavari.
Baba vakasimuka vabatira trauzi mumaoko ndokubata
Gamu ruoko vave kutungamira mumba mavo mekurara.
Mukadzi akatevera achisvetuka netarisiro yenyama yake.
Chipfuva chichitepfuka seakange achipomberwa mweya.
Mubhedha wakange uchifanira kurarwa namai
vakamuberekera murume, wakamugamuchira achirariswapo
nababa vemurume wake. Baba vakange vamuberekera
murume vakamukatanura mbatya dzese kunge vaida kuita
nyamukuta wake musi uyu. Mudhara akamupa zvaida
nyama yake akagutsikana. Kana ivo mudhara
vakatandavadza nyama dzavo newechidiki wavakange
vawana musi uyu. Gamuchirai akabvuma kuti chembere
ndeyembwa, yemurume ndibaba vevana.
Asi pakapera shungu dzenyama, nedzungu rechidikwa
dikwa, muroora akanhonga zvipfeko zvake ndokubuda
achitiza ondogeza. Baba vakasara ndokugezawo mumba
mavairara ndokuenda kuchitoro vasina kuoneka.

Page | 69
CHIKAMU 04

Kwakapera mazuva matatu muroora navatezvara


vachigara mumba mumwe chete asi vasingaonane. Vese
vaitizana, hapana aida kutarisa kumeso kweumwe.
Musi weChishanu, Gamu akapa murume wake Brian
kudya kwemangwanani vakadya vese asati andovhura Bottle
store iro raizovhurwa zuva rakwira.
Brian akatarisa ndiro yababa yakange isina adya ndokuti;
“Vhiki ino yese baba vange vasiri kudya breakfast. Ko uri
kurambirei uchivaisira ndiro uchingobvisa vasina kudya.”
Gamu akabwaira bwaira ndokuti; “Havana kundiudza kuti
havachadya zvachose saka ndichangoisa. Mumwe musi
vachadya.”
“Ndiri kuenda kuHarare nhasi nana Jachi naSam. Todzok a
neMonday.” Brian akadaro.
“Ok.” Gamuchirai akadaro ndokuramba achinwa
putugadzike yake.
Brian akaseka zvakanyanya ndokuti; “Ko kupengereka
kwese kwakaendepi? Ndaiti ndikati ndoenda kuGokwe
Centre padyo apa ndaipiwa zi lecture nezi list revanhu
vandinonzi ndinoenda navo. Nevandisingazive
ndaingopomerwa.”
Gamu akanyepera kunyemwerera ndokuramba
akanyarara. Aitya nekuzeza zvaaifunga. Akange akwanisa
kunyaradza muromo wake asi pfungwa dzaive chapwititi.
Mwari ega ndiye aiziva.

Page | 70
“Dai tisingagare nababa pano ndaikuisira camera chete,
kudzikama kwako ndekwemunhu ave nechikomba.
Ndikakubata ndinokuuraya.” Brian akadaro.
Gamu akaita hasha dzenyadzi ndokuti; “Upenyu
hahutenderere pauri baba Tapiwa. Kune zvakawanda
zvinofadza kupinda kukuteverera nemahure ako. Ndozviziva
kuti haundide ndakazvigamuchira.”
Brian akaseka chaizvo ndokuti; “Akati handikude ndiani?
Kupopota kwako kunondibhowa. Amai vako havana
kukuudza here kuti murume akaita seshiri, ukaita noise
anokutiza.”
“KuHarare kwacho muri kuenda kundodii?” Gamu
akazobvunza.
Brian akasimuka achinyepera kuridza mhere ndokuti;
“Ndazviparira. Ndopane problem yako, ndikaedza kuve nice
nice wotondishaudha nekubvunza zvisina basa. Inga
mangwana kune bhora reZimbabwe neZambia kuNational
Sports Stadium, chete, ndozvatiri kufambira. Then baba
vandituma mamwe mapepa avo ebusiness. Ndozviita
neMonday ndodzoka kana paine time or Tuesday.”
“Saka munoenda varume vega?” Gamu akabvunzazve.
Brian akaridza tsamwa ndokuti; “Nevakadzi two, amai
vako natete vako. Ndomahure edu atoenda nawo.”
Gamuchirai akaridza tsamwa yehasha akatarisa teapot
yaive nemvura inopisa achida kuipotsera kuna Brian uyo
akange ave kuseka zvekusvotesa achienda mumba mekurara.
Pasina nguva Brian akabuda nebhegi raive nembatya
dzake dzaaida kuenda nadzo kuHarare.

Page | 71
“Ndave kundomirira vana Jachi kuShop kuna baba.
Toonana. Bye Tapiwa mwana wangu zvako iwewe.” Brian
akadaro ndokufamba netsoka oenda kuzvitoro.
Manheru emusi uyu Gamuchirai akabika nyama yehuku,
akanyatsoikanga zvaakabvuma ega. Akandogeza
achizviponora nekuveura pese paive nebvudzi akasiya tsiye
nemusoro. Izvi akange apedzisira kuzviita mwedzi yakange
yapfuura achawirirana naBrian. Airohwa nehana
achizvibvunza kuti aiitirei zvakadai. Haana kuda kuramba
achifunga izvi. Zvido zvenyama yake nekutsamwira murume
wake kwaimutonga.
Apo zuva rakange richangodoka, akavhunduka kuvhurwa
kwegedhe. Akamhanyira mukitchen achindonyepera kubika
iye akange apedza kare kare. Mazuva ese vaKatiyo
vaingosvika vonanga mumba mavairara, vogeza vobva
vagara mumba memutandarira vachiona Tv kusvika
vazopiwa kudya kwavo vobva varara havo.
Asi musi uyu vakageza ndokunanga mumba mekubikira
maive nemuroora wavo vachisiya muzukuru ari ega pasofa.
“Gamu……….” VaKatiyo vakadaro vachidaidza Gamu
akange akafuratira achinyepera kusuka tiisipunu imwe chete
yaakange akwesha kubvira paakanzwa kuvhurwa kwegedhe.
“Baba………” Mai Tapiwa akadaro akatsikitsira.
“Ngatitaurei pamusoro pezvakaitika musi weChipiri
mangwanani. Tinotiza mumvuri wedu tikasvikepi?” Murume
mukuru akadaro amira padivi pemuroora.
Gamu akaswedera shure ndokutyora muzura achiti;
“Pakakanganisika baba.”

Page | 72
VaKatiyo vakaseka ndokumubata muzasi mehapwa
vachimudhonzera padyo. Mukadzi akazviwisira mumaoko
emurume vachibva vatsvodana kwenguva refu.
VaKatiyo vakamukatanura ndokuti; “Nhasi totizve
pakanganisika?”
Gamuchirai akabva agara pachigaro chaive mumba umu
apera simba. Akashaya zvekudavira.
VaKatiyo vakabva vati; “Iwe neni tisu tinozivana.
Hapanazve mumwe munhu anganzwisisa dambudziko redu
asi ndozvatovepo. Ndinotokuda chaiko. Kubva musi uya
handina zororo ndichikufunga. Ndaiti uchaudza munhu kana
kumbotiza woenda kumba kwenyu. Asi pandakaona wagara
wakanyarara ndakaziva kuti tiri kufunga zvakafanana.”
Gamuchirai akagutsurira, mudhara ndokuswedera padyo
omubata maoko.
“Taura tinzwe amai Tapiwa………. Uri kufungei?” sekuru
vaTapiwa vakazodaro.
Gamuchirai akafemedzeka nekuzeza ndokuti; “Hazvina
kunaka izvi…… this is so wrong, asi sezvamataura,
ndozvatovepo……. Hameno musi watichabatwa……..
ndikakuonai hana yotorova, makumbo otopera simba.”
VaKatiyo vakasekerera ndokuti; “Good girl. Ipa mwana
sadza arare. Nhasi ndokubvisa humhandara, kamupfana
kangu kaikutambisa aka.”
Gamuchirai akapofoka kuseka ndokuti; “Asi munoverenga
Max Stories paFacebook nhai baba?”

Page | 73
Mudhara akananzvira ndokurova muroora magadziko
ndokubuda voenda kundomirira chikafu chavo.
****************
Pamazuva ese apo mai Tapiwa nasekuru vaTapiwa
vakange vari vega pamba, vaitogara semudzimai nemurume.
Gamuchirai akange atama mumba mekurara.
Vakatanga vachitya nekunyara asi hunhubu hwaBrian
hwakavabatsira kuti vave vese kwenguva yakareba. Ivo baba
vakange vongoti vakawana mukana wekutuma mwana kuti
aende kure zvekundorarako, aibva angoenda. Vakaita kunge
ndivo amai nababa, vane vana vavo Brian naTapiwa.
Gamuchirai akange asununguka pamba apa zvakanyanya,
akange asingachatarisa mafambiro aBrian, akange ave
nekwekuisa rudo achidzorerwa zvakapeta kazana. VaKatiyo
vakange voita semwana mudiki. Kana kudhohodha zvinhu
zvemuchitoro vaienda vese kuGweru vachidzoka mushure
memazuva matatu. Vaienda nemwana Tapiwa uye vaive
tezvara nemuroora hapana akavafungira chinhu.
Brian ainakidzwa achitevererwa nemudzimai wake
achitongeswa. Asi paakazoshaya kuteverwa nekubvunzwa
kuti wange uripi unani akatanga kuvenga vasikana vese
vekunze ndokudzikama ogara mumba make. Uye akaona kuti
Gamu akange oshanda muRestaurant make zvakanyanya
asingachagara kumba.
Nemumwe musi Miss Thandi Ncube, musikana aive
mudzidzisi aifambidzana naBrian akasvika pachitoro
paKatiyo. Vemhuri iyi vese vaivepo, baba kuchitoro
nemusikana aivabatsira, Brian naTakesure kubhawa uye

Page | 74
Gamuchirai aikanga nyama nemachipusi padivi pebhawa pari
panze paive nezvigaro.
Muzvare Thandi vakange vasina mufaro nekuti Brian
akange asingachapinduri kana vakafona kana kuuya
pachikoro. Thandi akasvika ndokungonanga mubhawa
opopotera Brian. Hapana kumwe kwavaikwanisa kuenda
kunze kwekubuda panze pavaikwanisazve kuonekwa
naGamuchirai aitengesa chikafu chake. Gamuchirai
akanyatsomira akatarisa, vanhu vese vakamutarisa vachida
kuona kuti aizoita sei. Thandi aitaurawo achikwamatata kuti
Gamu anzwe murume wake achitsverudzwa pamusoro
penyaya dzemari, bonde, nekushora kwaaipota achiita
mudziai wake achiudza Thandi uyu.
Gamuchirai akaramba akanyarara kusvika Brian azorova
Thandi vakazobatwa nevamwe vanhu. Baba vaKatiyo ndivo
vakazorandutsirawo ndokuraira kuti Thandi aperekedzwe
nemotikari yavo andodzoserwa kuchikoro kwaaishanda.
Musi uyu Gamuchirai akakurumidza kuenda kumba
ondobikira mhuri yake. Brian akatevera akagadzirira
kundotukirirwa asi akasvika pamba Gamu achifara chaizvo
naTapiwa. Gamuchirai akange akapfeka kasiketi kaingoti nha
pazasi pemagadziko iko kakati mba kachitenderedza nyama
dzake dzese. Gamuchirai akaratidza kuvhunduka pakapinda
Brian ndokuenda mumba mavo mekurara maakadzoka
apfeka siketi refu nezambiya pamusoro.
Brian akaridza tsamwa ndokunyarara. Gamuchirai haana
kubvunzawo. Brian akaridzazve tsamwa ndokuti; “Pfambi
dzinonetsa. Waona zvaita Tha……… ticha vaye paShop?”

Page | 75
Gamuchirai akanyemwerera ndokuti; “Pane asina
kuzviona here? Township yese yazviona inga wani.
Nekunzwiririra zvese.”
Brian akatsenga tsenga mukanwa ndokuti; “Hooo eeeh,
saka mange matii nhai mai Tapiwa?”
“Ko ndingatii? Zvine neni? Munhu wese anoda kudiwa.”
Gamuchirai akadaro.
Brian akapererwa ndokuzoti; “Ndozvaunoita kana pfambi
yauya kuzonyadzisa murume wako pane vanhu kudaro?”
“Kudii?” Gamu akabvunza achidira mukaka mukapu
yemwana kuti anwe zvakare.
“Kushaya hanya nazvo. Kunyepera sezvisina kuitika asi
uchirwadziwa nekunyadziswa nazvo.” Brian akadaro ave
kuita hasha.
Gamuchirai akaseka chaizvo ndokuti; “Uri kuona
kurwadziwa kwangu nhasi? Papi pacho? Wanetaka
nechihure? Rudo runonetsa kuwana, kana warwuwana tenda
ufarisise neanokuda. Musarwe in public inga mainakirana
zvaionekwa neraini rese nhai baba Tapiwa.”
Brian akazotadza kupindura nekuti baba vake vakabva
vapinda. “Baba taurai nemuroora wenyu. Rafu ari kunyanya.
Ndichamboenda hangu kuGokwe Center ndinofurwa
nemhepo.” Brian akadaro.
Baba vakatarisa vana vavo vese ndokuti; “Brian warova
Gamu…….. warova mai Tapiwa futi nhasi,
ndokurova……….”
Brian akadzungudza ndokuti; “Kana kumurova kwacho
ndatotya. Munhu anotaura seasina hanya neimba yake.

Page | 76
Kutaura neni sekunge ndiri kahanzvadzi kake kari fomu 2.
Baba can you imagine.”
Brian akabva abuda akagumbuka chaizvo. Pavakaona
gedhe richivharwa motikari ichienda vakabva vagukuchirana
vave kutsvodana chaizvo. Vese vakange vachitsutsumwa kuti
Brian aigona kudzoka nguva ipi zvayo saka kunakidzana
kwavo kwaiitwa vakaringa nzira.

Page | 77
CHIKAMU 05

Pasvondo rakatevera, Brian akaenda kuseri kwechitoro


kwaive nababa vake. Vakange vari panhare namukoma wak e
Arnold vachitaura nyaya dzemusha. Pavakapedza kutaura,
Brian akabva ati; “Baba ndine nyaya, ndokumbirawo
kubatsirwa.”
“Chii futi newewo?” VaKatiyo vakadaro vasingade
kutaura nyaya yemwana wavo, vaiziva kuti aida zvekutaura
pamusoro pemudzimai wake.
“Gamu ane boyfriend, baba. Mai Tapiwa vane chikom b a.”
Brian akadaro kuna baba vake.
“Watanga, angaite zvakadaro nguvai isu tichiswera tese
tiri vatatu? Unonyanya kudhakwa iwe.” VaKatiyo vakadaro
ndokutanga kutsenga tsenga kambuswa kemutsvairo
kavainon’onesa mazino. Izvi zvakambovapa simba kuti
vawanire mwanakomana wavo mhinduro.
“Musi uya wakauya Thandi paShop, akaita seasina
kuzviona. Zvese zvakataurika akaona nekunzwa asi haana
kuita hanya nazvo.” Brian akadaro.
“Saka chaipa chii?” Baba vakada kuziva zvaifunga
mwanakomana wavo.
“Boys dzese dziri kuti mukadzi asingapopoti kana
zvakadaro zvaitika anenge asingakude kana kuti anenge
achihurawo. Saka haana basa nazvo.” Brian akadaro
achiratidza kurwadziwa.
Baba vakada kufamba vachibva apa kuti vadzokere
muchitoro, Brian ndokuti; “Kunoti izvozvo zvekushaya hanya
Page | 78
naThandi…... Kozoti futi, musi wacho waitika noise kuShop,
ndakakurumidza kuuya kumba ndikawana achibika
mukitchen. Akange akapfeka imwe mini kunge kushama
chaiko. Mini iyoyo handiizive. Akavhunduka kundiona
kunge aitarisira mumwe munhu asiri inini. Ndiani aifanira
kumuona akashama kudaro?”
Baba vakadzipwa nemate avo vakakosora vabudisa meso
kunge mbudzi yaiswa banga. Vainzwira moyo kagwishu
kehembe kavakange vapotsa. Makumbo aGamu aivaitisa
dzungu. Asi Brian akaona kuti baba vake vaishamisika
nemaitiro emukadzi wake. Kunyange akaona kuti vaisada
kubvuma pameso pake kuti maitiro emudzimai ane
mubvunzo.
VaKatiyo vakashingirira ndokuti; “Kufungira fungira
kwakaipa mwanangu. Iwewe ndiwe une nyaya dzako
dzatakatonga tine umboo. Kana zvese zvauri kupomera
mudzimai wako nhasi, imbewu yawakadyara iwewe
pawaimhanyisana nevamwe vakadzi mudzimai wako
achichema zvatinoziva tese.”
Brian akambopererwa ndokuzoti; “Saka tiri
kubvumiranaka kuti pane waari kufambidzana naye nhai
baba?”
VaKatiyo havana kupinduraa, Brian ndokuti; “And baba,
ummm mai Tapiwa haachatombodi zvebonde neni zvachose.
Ndikamubata anotiza kana kufuratira, kana kuomesa muviri
kuti gwa kunge ndiri kumucheka zvinorwadza.”
VaKatiyo vakanyemwerera ndokutsikitsira, Brian haana
kuzviona aifunga zvakange zvoitika kumudzimai wake.

Page | 79
Brian akadzungudza ndokuti; “Baba, vakadzi vese
vandaitamba navo vaisareva chinhu kwandiri, zvaingove
zvekutandara semunhu akakurumidza kuroora. Asi kana
Gamu paine murume waari kudanana naye, it means ari
kutomuda chaiko. Ndosaka asisina shanje neni, ndosaka
asingachada bonde neni. Zvakasiyana izvi baba, murume
anotandara kunze kwemusha, achifara achidzoka mumba
make. Manje mukadzi anoenda zvachose. Gamu aenda asi
ndoda kutanga ndaziva plan yake.”
“Uri kuzviwanepi zvaunotaura izvi nhaiwe?” VaKatiyo
vakazodaro.
“I know mukadzi wangu baba. Ok, ok, ndiri kurwadziwa
kuti she is cheating. But sei achizviitira pamba pano? Anoda
kuti zvizodii? Ko kana achida kusiya aparadza business…….”
Brian akagurisirwa panzira nababa vake avo vakati; “Uri
kufunga zvisipo iwe. Ok rega ndizvitsvage. Kana paine
munhu anosvika pamba pedu tisipo ndichamubata. Iwe
dzikama uite sepasina chauri kuziva ndizvoka?”
Briana akatura befu achitenda kutsigirwa nababa vake
panyaya yainyadzisa iyi. Nekuda kwezvaimboitika kare
mumba make nemudzimai wake, akaona sekuti vanhu vese
vaizomuseka nekutsigira kutsiva kwaiita mudzimai wake.
Akange ashoresa mudzimai wake pahwahwa
nemunharaunda mese nemaitiro nematauriro ake. Kana
mudzimai wake aizowana mumwe anomuda vanhu
vaimuomberera. Akabuda dikita rehasha nenyadzi.
Brian akatarisa baba vake ndokuti; “Thank you mudhara.
Munenge mandibatsira.”

Page | 80
VaKatiyo havana kupindura, vakangofamba vachidzokera
muchitoro.

Page | 81
CHIKAMU 06

Pamazuva akatevera, mumba mekwaKatiyo makange


makanyarara, vese vaiziva zvavaifungirana. Mumwe
nemumwe aive nenyaya yaimunetsa mumoyo make.
Nemumwe musi, Brian akange akangogumbata ari
muBottle Store pasina chaaiita. Kana kutaurwa naye kwaitove
kudaidzira nekudzokorora.
Takesure akazoneta ndokuti; “Nhai boss, ko baba namai
Tapiwa varipi? Ndatove netwo days ndisingavaone.”
“Mai Tapiwa vakaenda kwasisi vavo kuBulawayo, baba
vari kuGweru kuBusiness. Zvaita sei?” Brian akapindura
pfungwa dzake dziri kure.
“Mune chokwadi chezvamuri kutaura here?” Takesure
akadaro.
Brian akasemburwa ndokuti; “What do you mean
chokwadi?”
Takesure akaseka ndokuti; “Ndakambonzwa muchibvunza
baba venyu kuti boyfriend yamai Tapiwa ndiani?”
“Taura zvaunoziva tinzwe.” Brian akadaro.
“Vana mai Tapiwa vakamutsaka vaye. Iko kwasisi vacho
mafona mukanzwa kuti variko?” Takesure akadaro. Brian
akaramba akanyarara.
“Boyfriend yamai Tapiwa anoita kunge anofarirwa nababa
venyu. Ndotofunga kuti ndivo vanovavharira kuti
musazviziva.” Takesure akadaro.
Brian akaramba akanyarara, akabva atungidza fodya yake
ndokufamba achibuda, akabva andofonera baba vake.
Page | 82
“Kwakanaka here unofona makuseni so?” VaKatiyo
vakadaro.
“Mamuka sei baba.” Brian akaseka ndokuti; “It’s 9 oclock
sei kurara kudaro, hotel yakunakidzaika munosimuka na5am
chaiyo kana muri kuno.” VaKatiyo vakanzwikwa
kufemedzeka ndokushama n’ai.
Vakaseka seka ndokuti; “Ndakawana a new lodge just
outside town along Bulawayo road. Panotonzi pa Three Miles,
pakanaka wena. Dai uri munhu kwaye waizouyawo
nemukadzi wako.”
Brian akabva ati; “Ndange ndichida kubvunza kuti
mambotaura namai Tapiwa here, phone yavo inenge
yakadzimwa.”
“Hooo……. Eeeh, ndakangofona manheru ndikataura
naTapiwa vachiti vasvika kwamai Tshuma zvakanaka.”
VaKatiyo vakadaro. Hapana zvimwe zvavakazotaura
vakabva vanyarara ndokusiya nhare.
Brian akabva abaya nhare yake ndokufonera maiguru vake
vekuBulawayo, mai Tshuma mukoma wemudzimai wake.
Vakamboseka vachiita nyambo paukama hwavo.
Zvaitarisirwa naBrian kuti zvitaurike hazvina kutaurika
achibva azoti; “Makaonaka kuti Tapiwa akura? Udzai
munin’ina wenyu kuti achiita second born.”
Maiguru vakambonyarara ndokuzoti; “Matii bamudiki?
Vari kuuya riini kuno mai Tapiwa?”
“Vakasvika nezuro ikoko handiti?” Brian akadaro.
Maiguru mai Tshuma vakati; “Aiwa havasati, and
takapedzisira kutaura tese two weeks ago. Kunyange

Page | 83
vachisvika nhasi kana mangwana kana kuswera mangwana
vaizouya vasina kundiudza here. Maybe vaenda kwasisi
Lizzie. Vachauya havo.”
“Ok, zvakanakai maiguru. Kana vasvika
mundiudzewo…….eeeh, phone yake haisi kuita zvakanaka.”
Brian akazodaro ndokudzokera muBottle Store.
Akaona kuti Takesure akange akamutarisa nemeso aive
nemibvunzo uye aida nyaya. Nyaya dzerudzi urwu dzaibuda
pachena mumakuhwa nemukutaura taura nevanhu.
“Saka iwewe waunofungira kuti anodanana naGamu
ndiani?” Brian akazobvunza.
“Hameno, but baba venyu inhubu boss. Munhu iyeye
vanomutsigira chete.” Takesure akadaro.
“Maybe you are right………. Nekuti ndavabvunza vakati
vakataura naye madeko ari kwamai Tshuma…… havana k uti
ari kuBulawayo kuti ndigoti vatonyeperwawo but vaita
sevanotoziva details. Meaning vari kumuvharira like you are
saying. Or vari kungonyeperwawo.” Brian akadaro ave
kuvhiringika.
Takesure akatarisa Brian nekona yeziso ndokuti; “Nekuti
chero matauriro avanoita kana vari vega, havachaita
saatezvara nemuroora, vave kuita semasahwira. Usahwira
rudzii ivo baba venyu vachiziva kuti munofungira mukadzi
wenyu chipfambi.”
Brian akaramba akanyarara ndokufamba achibuda
odzokera kumba kwaakandoita zuva rese akarara.
Paakazobuda mumba masikati, akabva atyaira motikari oenda
kuGweru. Akange anonokerwa nekudzoka kwababa vake.

Page | 84
Aida kundotaura navo pamusoro pemudzimai wake, uye aida
kuti vaende vese kuBulawayo kwakange kwanyepa
Gamuchirai kuti aive. Haana zvakare kuda kuudza baba vak e
kuti aivatevera, kana zvaifungirwa naTakesure dzaive
chokwadi, aisada kupa baba vake mukana wekufunga
zvekupindura. Kana kufunga nhema dzekuvharira Gamu,
kumbotanga vataura vese kuti vomuudza zvipi.
Brian akasvika muGweru husiku kwave kuma 9pm,
akatyaira motikari achitevedza Bulawayo road. Baba vakange
vati paive neLodge itsva yakange yakanaka. Akambonetseka
kuti otora mugwagwa upi, akatevera waive kurudyi pakange
paratidzwa kuti Lodge 1km. Akasvika paLodge iyoyo pange
pasina vanhu ichiita seyakatovharwa. Ave kutobvapo akaona
mwenje wetochi ndokumirira kusvika kwemunhu wacho.
Ndiye akazomuudza nezveLodge yakange ichangovakwa.
Aifanira kudzokera kwaabva otevera mugwagwa
wekuruboshwe asati asvika kumugwagwa mukuru.
Paakasvika paLodge iyi, akatanga kuona pakanyorwa
kunzi Three Miles. Ndokuzoona mota yababa vake
yakamirapo akasekerera. Aida kusvika vasingazive, asi
vashandi vemuhotera vaizomubvumira here. Mutemo waiti
vaKatiyo vaifonerwa vouya paReception kwete kuti iye aende
kwavaive. Akambofunga ndokuzofamba oenda pareception.
“Tete muri sei?” Brian akadaro akatarisa musikana akange
akagara paReception. Musikana akangotarisa Brian ndokuti;
“Munoda room yakadii? Single or double? Short time or
overnight?”

Page | 85
“Weave yenyu iyi inonzi chii? Kukufitai kwayakaita
ummm kunge makazvarwa nayo.” Brian akadaro
achitandavadza maoko kubata musoro wemusikana uya.
“Haisi weave, its just a wig…….. yakandifita shuwa?”
Musikana uya akadaro achisiuka achinyemwerera nekubata
musoro wake.
“Your pretty face, make up yacho iri natural.
Mudzidzisewo vamwe vakadzi vanoisa madhaka kumeso
vachiti its make up. Tave kuona mombe dzemavhu muroad
umu.” Brian akadaro vese ndokuseka vachirovana maoko.
Mukadzi uya akabva azoti; “Nemiwo mudzidzise varume
kuti kana hairstyle yakanaka ngavataurewo. Kana ndaisa
make up otiwo amai makanaka. Mukadzi wenyu ane luck to
get such compliments. Vamwe togara nezvidhori zvisingaone
kuti nhasi ndabuda mumba ndakapfekei.”
Vese vakaseka zvakare. Pakabva pasvika munhu aida
pekurara, receptionist akamubatsira ndokudzoka Brian
akangomumirira. Brian akabva ati; “Muri off riini timboenda
for drinks and braai tichinzwa mhepo. Nyaya dzema
relationships dzinoda takasununguka musiri pabasa.”
“Ndipei number dzenyu ndigotumira message.
Musatumira imimi uye musafona, ndini ndofona.” Mukadzi
uya akadaro Brian ndokuseka achitaura nhamba dzenhare
yake.
Akapedzisa achiti; “Zita nyora kuti dressmaker, chero
bamukuru vakaiona vakabvunza unobva wati vakupe mari
yekusonesa African attire.”

Page | 86
Mukadzi akaseka ndokunongedza Brian achiti; “Unenge
tsotsi iwe. Uchatondipawo mamwe matricks ndidzikamise
imbwa iri kumba kwangu.”
Brian akachonya ziso ndokuti; “No problem, my services
are free.”
Vakambonyarara vachinyemwererana, Brian ndokuzoti;
“Listen, my dad is booked here. He is an old man. So it’s his
birthday nhasi. Amai vangu vakashaya so ndafunga kuvaitira
surprise visit and give him a present yatakavagadzirira tese
nemadzikoma angu. Vanonzi Katiyo, vari muroom ipi?”
“Oh vaKatiyo vane a very young wife, vari mu suite 13, it’s
the third time vachiuya pano nemukadzi wavo, a pretty
young wife. And taitoseka kuti sugar daddy izvo vakafirwa
havo. Enda ku13, down the passage, turn right, the third
door.” Receptionist akadaro hana yaBrian ndokurova. Haana
kupindura akangofamba oenda kwaakange audzwa.
Akambomira pamusuo ndokuterera, mainzwika kuti
maive nevanhu vaviri, mukadzi nemurume vaitaura asi
zvaitaurwa zvaisanzwika. Akagogodza ndokubva vanyarara
kutaura. Akagogodza zvakare ndokubva vaKatiyo vati;
“Hallooooo, ndiani?”
Brian akachinja inzwi rake ndokuti; “Room service.”
Musuwo wakavhurwa vaKatiyo vakapfeka kabudura
chete, vakavhunduka kuona mwanakomana wavo. Brian
akapinda achiita zvekusvetuka nekuvasaidzira.
Akasvikosanganidzana maziso nemudzimai wake, amai
vemwana wake. Gamu aive akagara pamubhedha akashama
kuti hwiru asina kana mutimwi kana ma earings.

Page | 87
Brian akahutisa miromo akatarisa baba vake, akatarisa
mudzimai wake ndokubva adonhera pasi achifenda.
Mushure memaawa maviri, Brian akapepuka ndokuona
akarara muchipatara. Akatanga kufunga zvakange zvaitika
zvaairangarira. Akaona mufananidzo waGamu akagara
akashama panhovo yababa vake vakamubereka. Murume
akanzwa kubaiwa pamoyo nekurwadziwa.
Akange asina wemhuri yake waaida kuona kana kutaura
naye. Akafunga shamwari dzake dzaive kunze kwenyika
akafunga kuti aizonanga kunani. Akademba nguva
yaakatambisa pakuita chikoro. Aifunga kuti aizotangira papi.
Misodzi yakaerera.

ZVAPERA

Page | 88
MY MOTHER IN LAW

CHIKAMU 01

Pandakavhura maziso angu, ndakaona amai vangu


vakagara vakanditarisa. Vairatidza kushushikana. Pavakaona
ndamuka, vakasimuka ndokundibata ruoko.
“Amai, ndoda kudzoka kumba…… handichakwanisi ini.
Ndatadza ini” Ndakaeredza misodzi. Amai vangu vakaramba
vakanyarara. Ndakaona vatarisa kumusuo wemuchipatara
mandaive. Ndaive mangu ndega paPrivate Hospital
pandaive. Pasina nguva wakavhurwa vamwene vangu
ndokupinda.
Vakange vakabata maruva akawanda, akanaka chaizvo.
Vakabva vangoisa padivi pemubhedha wangu
ndokunditsvoda pahuma.
“Mwanangu, how are you? And watityisa? Ko hindava
these panic attacks? Doctor vazoti chii?” Vamwene vangu
vakadaro ndokupedzisa kutaura vatarisa amai vangu.
Amai vangu vachibva vati; “Vangoti anofanira kuzorora.
Vati anobuda nhasi manheru. Vangomupa mapiritsi ekurara.
Nhasi amuka zvakanaka. Asi nezuro paakasvika kumba
tichizouya kuno, ndakatofunga kuti asi mwana wangu
Kudzai ave kupenga?”
Vamwene vakandigukuchira vachinzwa tsitsi
nenhoroondo yavaipiwa namai vangu. Vakaita kunge vasina

Page | 89
chavanoziva zvachose pamusoro pekurwara kwangu. Vese
vaitiona vaiti paita muroora naamwene vanodanana chaizvo.
Kana amai vangu vakagutsikana. Vaiziva kuti vamwene
vangu vanondida zvekurevesa.
“Chiiko nhai muroora wangu? Get well soonest my
daughter.” Mai Taruvinga vamwene vangu vakadaro.
Ndakangoeredza misodzi ndokuvafuratira ndokuramba
ndakanyarara. Ivo havana kuita basa nazvo, asi amai vangu
vakanyara nazvo. Pakapfuura nguva yekushanyira varwere,
vese vakabuda. Murume wangu Paul ndokupinda.
Akangoti; “Pull yourself together and come back home
sweetheart. Usataurisa. Ndozvinonzi chakafukidza dzimba
matenga. You remember mamma vachiti tsumo iyi inonyanya
kutaurwa nevanhu referring to nhamo nematambudziko. But
in our family we refer to money and all that comes with it.
Ngatifukidzirei mari yedu my darling.” Ndakamutarisa
ndichimutya. Ndakange ndisingachada kana kumuona.
Regai nditange kwekutanga kwenyaya yangu. Chii
chakaitika kuti ndizove muchipatara.
Zita ndinonzi Kudzai Chikore, I am 25 years old now,
ndakaroorwa naPaul Taruvinga. Kumusha kwedu kuBuhera,
asi handitonyatsokuziva, tisu maBorn-born. Ndakazvarirwa
kuMufakose muHarare, ndomaingogara vabereki vangu,
hatina kumboenda kumusha. Pano neapo ndaingonzwa b ab a
namai vachitaura nezvehama dzedu dzekuBuhera. Pamwe
tomboshanyirwawo nevainzi tete or bamunini vorara vofum a
vachienda.

Page | 90
Nedzimwe nguva kwainzi kwafiwa, baba namai
voendawo kunhamo asi isusu vana taisaenda. Taingogara
paimba yedu yekuroja kuMafakose. Baba vangu vaive
Security Guard, amai vaitengesa miriwo kumaShops
paMhishi padhuze nepamba pedu. Baba vangu vaChikore
vakange vatibereka tiri vana four. Ndaive inini Kudzai
musikana mukuru, ndichiteverwa naTongai, aiteverwa
naSimba, last born aive musikana ainzi Ropafadzo.
Vabereki vangu vaidanana, taifara mumba medu, asi
nhamo yaive pachena. Kushanda kwamai nababa vangu
kwaingoita kuti tiwane basics muupenyu hwedu. Taidyawo
sadza zuva nezuva, nyama kaviri pasvondo, gadheni yaive
kuseri kweimba yedu ndoraive butchery racho. Mari zhinji,
kana kuti yese zvayo yaibatwa nevabereki vedu, yaienda
kuRent neSchool fees yedu. Takange tisina extras, ingave
lunch box kana hembe nyowani. Taingove neuniform nesadza
chete. Takange tisina kwekuenzanisa nako kuti zvimwe
zvinonaka zvii saka taitogutsikana nezviripo.
Pandakange ndave muForm 4, hanzvadzi dzangu vaive
grade 6 Ropafadzao ari grade 4. Vabereki vakati vakange
vatadza kundiendesa kuA’Level nyangwe ndakange ndapasa.
Ndaifanira kuchitsvaga basa kana Kosi. Kosi dzaiwanikwa
kumaCollege, dzaidhura zvekuti hande. Dzaisabhadharwa
kuNursing kana kuchipurisa kwainetsa kuwana ndakange
ndisina wekuziva. Saka ndakazotanga kubatsira amai
kutengesa pamusika. Pamwe ndombowana basa rekushanda
mumba. Makore aitofamba takadaro.

Page | 91
Pandakange ndave ne23 years, vakomana vakange vave
Form 5, Baba vakatanga kungorwara rwara. Kubasa vakange
vasingachanyanyoenda. Vaingoenda kuchipatara nguva
nenguva. Hapana svondo ravakange vachapedza vari pabasa.
Vakatanga vapiwa mishonga yeBP, vakamboshingirira
kutenga nekunwa. Asi hazvina kushanda. Vakatanga
kuzvimba muviri wese, vakarapiwa izvozvo, zvaiita nane
zvotangazve. Vekubasa kwababa vakabva vavapa pension,
medical aid ndokuvharwa, baba ndokugara kumba.
Amai vakave ivo vega vaitichengeta, kuendesa vana
kuchikoro nekutenga chikafu. Pension yababa hapana
zvayakatiitira pamba nekuti baba vakazonzi vaive neChronic
kidney failure. Saka vaifanira kutanga Dialysis, yaidhura.
Ndaienda navo kwaDoctor katatu pavhiki vachindobviswa
mvura mumuviri wavo. Kwaive kushingirira. Kana ivo
vakange voti chiregai ndife musare nemari yechikoro yevana
nekuti pension yese yakaperera ikoko.
Tairarama zvairwadza. Asi Doctor wavo akatisimbisa kuti
vaigona kuwana Kidney Transplant. Aingove mashoko
enyaradzo, mari yacho yaibvepi kana dai Donor aiwanikwa.
Mumba medu makange musisina kana mapete kana nhunzi.
Zvakange zvakaoma.
Vana Mufundisi vedu vekuThe Good Sherpherd
Evangelical Church, vakatanga vachiuya asi vakazorega. Bab a
vakange vasisiri mubhuku rechegumi, chero reBurial Society
yechechi vakange vasisimo mari dzisingachabatani.
Vatakange takagarisana navo ndivo vaipota vachiuya
kuzotiona, vamwewo vachitenga chikafu pano neapo. Nek ut i

Page | 92
cent rese raiwanikwa pamusika namai…… raienda ku
Dialysis yababa. Zvairwadza kuvaona vachirwadziwa
vakazvimba muviri. Asi hapana chataigona kuita kunze
kwekumirira.
Mumwe musi baba vakatidaidza ndokuti; “Vana vangu,
bvumidzai amai venyu vachirega zvekundiendesa
kuchipatara. Ndarwadziwa, ndaneta. Uye mari hapachina.
Kana ndikafa izvozvi ndinovigwa negumbeze, imi mugosara
musina chekufuka. Mwoyo wangu unorwadza.” Baba
vakachema misodzi tese takavatarisa. Amai vakabuda panze,
vakomana vakaswedera paive nababa ndokuvabata maoko.
Hapana aikwanisa kunyaradza mumwe tese tairwadziwa.
Baba vedu was our hero.
Takange taona baba vachishaya chekupfeka, vachienda
kubasa vasina kudya vachiitira isusu. Takange taona vachiita
dhaka boy kana vasiri kubasa vachibvapo vachinanga
kuchitoro kundotenga uniform dzedu. Vachifamba nemavhu
muraini sevasina kukwana, vakaita sebenzi asi musi
wesvondo taizowana zviri nane zvekupfeka kuti tiendewo
kuchechi. Baba vaive nebhachi ravo rekuchechi, ravaipfeka
pamusoro peshati yakapera musana. Rudo rwavo takange
tarubata, tikarufembedza, tikarudya. That was my father,
selfless. Yaive nhamo yainge ngozi asi vaiedza kushanda
nesimba. Zvaingorambawo asi tainamata nekushanda zvese.
Tongai semukomana mukuru akazoti; “Todii baba?
Zvakaoma izvi.”
Baba vakambonyarara ndokuzoti; “Batsirai amai venyu
kushanda kumusika. Inini chiregai ndizorore. Ndave

Page | 93
kutokupedzerai nguva yekushanda muchingondiita jana
rekundichengeta pano.”
Hapana zvimwe zvakazotaurika. Ini ndaitotsvagawo basa
mazuva aya ndichishaya. Kwakange kwakaoma
zvakatondishamisa, saka kutoshanda namai pamusika pavo
ndozvega zvaivepo kuti vadiki varambe vachidya nekuenda
kuchikoro.
Musi weSvondo takaenda kuchurch. Ndakaita amai
vekumanikidza, vakange vachitoda kuenda kumusika kwavo
kana kuswera nababa mumba. Zvakange zvaitwa nana
mufundisi zvakange zvaparadza chitendero chavo. Zvisinei
takaenda hedu. Yaive svondo yekutenda, Thanksgiving
Sunday yekupera kwemwedzi.
Pamasvondo akadai, paiwana vaibva kumasangano
emudhorobha, nekumaSabhabha kwaive nevatendi vane
mari. Vaiuya kuzotsigira sangano redu vachipa chikafu
chaizogoverwa vaitambura, nherera nechirikadzi
dzemuchechi. Ndipo patakaona vana Elder vaive nemota
dzakanaka vakauya.
Pavanhu ava paive naElder mai Taruvinga, vaizivikanwa
kukurudzira chirikadzi kushanda nekunamata. Ivo vaive
chirikadzi yaishanda nekunamata, vakange vaine
vanakomana vavo vaviri vakange vatokura votozvishandira.
Musi uyu, vasikana veYouth takavabatsira kurongedza
zvavakange vauya nazvo tichigovanisa vanhu. I was shocked
Mai Mufundisi vachiramba kupawo mhuri yedu mugove
wemahara iwoyu, vakati; “Kwenyu Kudzai hakuna chirikadzi

Page | 94
nenherera, mune nungo. Imba yakazara able bodied young
adults asi munoda special treatment, tibvirei apa.”
Mai Taruvinga vakaona kupunyaira kwangu vachibva
vanditi; “Iwe Kudzai, une O’Level?” Ndakangogutsurira.
Vakaramba vachindibvunza nezveupenyu hwangu asi
ndakangoperera pakuti ndakaguma Form 4 and ndaitsvaga
basa. Ndakatizve vabereki vakange vasingashandi saka
zvakange zvakaoma.
Mai Taruvinga vakabva vati ndizosangana navo
mudhorobha mangwana kuOffice kwavo. Vakandipa
Business card ravo. Ndivo vaive mai Taruvinga ve T & T
Luxury Coaches aienda kuVictoria Falls, Botswana, Zambia
neNamibia. Vakandivimbisa basa. Ndakamhanya kundoudza
amai vangu vakauya vakapfugama muvhu patsoka dzamai
Taruvinga vachitenda basa randakange ndisati ndawana.
Usiku uhwu kwakanonoka kuedza, ndaingofunga kuti
vaizondipa basa rei. Ndakange ndisina basa nazvo, asi
kungowana kamari kashoma kanouya mwedzi wega wega
kwakaita kuti ndinzwe kuve netarisiro.

Page | 95
CHIKAMU 02

Pazuva rakatevera 8 dzakazochaya ndatove pagedhe


repamaOffice eT& T Luxury Coaches. Road yese yakange
yakazara vanhu vaitsvaga basa. Hana yangu yairova kuti
vachandikanganwa. Mai Taruvinga vakazosvika na11, nzara
yakange yandinzwisa, apa madeko acho ndakange ndisina
kunyatsodya saka aive makwikwi.
Vakangosvika vachindidaidza ndokuenda neni muOffice
mavo. Vakandibvunza kana ndaigona kushandisa Computer,
basa ravaida kundipa kwaive kubhukisa vanhu vanoda
kufamba nemabhazi nekugadzira duties evatyairi. Ndakati
ndaizodzidza, O’Level ndaive nayo yakakwana, 5 A’s and 4
B’s. Ndaisave dofoba.
Tapedza izvi vakati; “Asi nhasi ndinoda kuti
umbondiperekedza kumba kwemwana wangu, kunoda
kundotsvairwa chaizvo. Unongozivawo bhachura tsvina
yacho.”
Ndakangonyemwerera tichibva taenda kuBorowdale.
Paive nedzimba nhatu dzakafanana, mbiri dzaive divi rimwe
chete dzakateverana, imwe chete yaive mhiri kwemugwagwa
yakatarisana nembiri idzi. Mai Taruvinga vakati dzese
ndedzavo, aive maDouble storey. Imwe yaive yavo, imwe
yedangwe ravo Patrick imwe yemudiki wacho Paul.
Takaenda kumba kwaPaul.
Vakange vati mumba mebhachura maive netsvina asi
handina kuona tsvina yacho. Makange makachena makanaka,
zvinhu zvese zvichingoita seglass kuchena. Ndakazokwira
Page | 96
upstairs ndokuratidzwa mbatya dzaida kuwacha. Dzaive
mbatya dzekupfeka nemasheets epamubhedha.
Ndakawacha zvese ndokugara panze ndamirira kuti
zviome. Pandakangotanga kuwacha, mai Taruvinga naPaul
vakabva vabuda voenda. Vakazodzoka kumadeuka zuva
ndichibva ndatobhadharwa mari yangu. Vakanondisiya
muguta kumaCombi ekwedu ndichibva ndaenda kumba.
Svondo rakatevera ndipo ndakazotanga kushanda
kumabhazi. Paive pasina basa rakawanda, kwaive
kungotarisa paComputer mabhazi aibuda nekupinda
nevanhu vavanenge vainavo, zvichienderana nemari
yaibhadharwa. Kana zvaizoramba zvakadai ndaizotanga
hangu kuverenga A’Level yandakange ndapotsa.
Mai Taruvinga handina kuzonyanya kuvaona, ndaishanda
naPaul mwana wavo. Ndiye aive boss wemabhazi. Kana
kwaiita break down ndiye aienda nana makanika.
Pakushanda tese apa, takatanga kuita nyaya, takange
takura zvakasiyana asi Paul aisavhaira. Pane kuti tive
mushandi nemushandirwi takave masahwira. Ndakarega
kuenda kumba neCombi, ndoperekedzwa nemota zuva
nezuva. Ndaiti andisiye kure nekumba nekuti ndainyara
pamba pedu. Paiita sepane tsvina izvo yaive nhamo, kwaive
kushaya chete. Ndakamunyepera kuti vabereki vangu
vanopenga chaizvo havadi kuona ndine mukomana.
Akazvibvuma saka taisaswedera pedyo.
Pandakange ndave nemwedzi mitatu ndiri pabasa,
pandakachaisa, ndakaperekedzwa naboss semazuva ese.
Kuve tese kwakange kusingachandinakidzi. Paul akange

Page | 97
ondipfimba, ndaimuda mukomana uyu asi ndaitya. Kumba
kwavo vaive nemari, chaiyo chaiyo, vairarama mumari
zvandaiziva zvandaiona ndichiita business naye. Kudanana
naye nezvaiziva amai vake pamusoro pekumba kwedu
kwaingove kuzviita benzi.
Ndakange ndasangana navo pachechi ndichipopotera
zvigrocery, konde konde yenherera nechirikadzi. Kusanyara
kuita zvakadaro kunoratidza zvinhu zvakange zvakaoma
zvekurevesa. Saka kana vaizonzwa kuti ndadanana nemwana
wavo vaingoti gold digger, siyana nemwana wangu. Kana
basa raigona kupera, saka ndakamuramba Paul. Iye haana
kuita hanya nazvo, akangofunga kuti semusikanawo I was
playing hard to get.
Takaramba tichiwirirana, ndaifarira attention yaaindipa
nekupota ndichirohwa rohwa nekubatwa batwa. Asi ndaiziva
kuti regai titandare pane musi wazvichanguma awana wezera
rake, aive nemari seyemhuri yavo. Musi uyu takasvika
pamaShops kwaMhishi paive padyo nekumba
paaiwanzondisiya. Aindisiya apa ndotenga kanyama
kekundobika kana zvimwewo ndozofamba netsoka kusvika
pamba.
Ndakangoti ndichiburuka, Ropafadzo munin’ina wangu
ndokubva andimhanyira; “Sisi Kudzai ……… baba……”
Hana yangu yakarova chaizvo ndikati baba zvazovakurira,
Ropafadzo akabva ati; “Hameno kana vachiri vapenyu, vange
vachimbomira kufema.”
Kubva pandakange ndatanga kushanda, ndakange
ndaendesa baba kuDialysis katatu, ndokubva ndazopindana

Page | 98
nekutenga maUniform, kubhadhara fees neExam fees
dzevakomana. Apa ndakange ndichitoronga kuti
ndikangotambira, vomboenda futi.
“What is it Kudzai? Hanzi daddy vako vaita sei?” Paul
akadaro abuda mumota amira pataive.
Ropafadzo akakurumidza kuti; “Vamboita sevafa……..
hameno, ndasiya amai vachichema ……… asi
vazomuka……..”
“Ok let’s go……….” Paul akadaro achifambisa
achindotyaira mota yake. Tese takapinda mumota
ndokumuudza kwekuenda. Takasvika vakomana vakagara
panze maziso akatsvuka. Amai vaive mumba nababa, baba
vaigomera kurwadziwa, muviri wese wakange wazvimba.
Paul akavhunduka paakangotarisa baba vangu akabva abuda
panze.
Ndakatevera paaive ndichibva ndati; “Baba vangu vane
kidney failure, gore rese vari pa Dialysis, sometimes
vanoenda asi dzimwe nguva tinotadza nekuda kwekushaya
mari. Because of those inconsistences, he is getting worse. Ivo
havo he gave up a long time ago. Havachada kurarama. It’s a
miracle he is still alive kusvika nhasi.”
Paul akangobwaira achiita seave kuda kuchema.
Akacheuka cheuka achitarisa pandaiti pamba pedu.
Ndakaona seaipaenzanisa nekwake akanditarisa sendaibva
muchirugu chembudzi. Akabva angoti; “Ok, bye.”
Akafambisa ndokuenda mumota make ndokuenda.
Ndakadzokera mumba, baba ndokuti; “Ndiye ani uyo nhai
Kudzai?”

Page | 99
“NdiBoss vangu, vangondiperekedza, vangeeee…….
vachiuya kuno.” Ndakadaro.
“Hoo, ndakunyadzisaka ndatadza kungomukawo
semunhu wemurume kuti ndikwazise vaenzi.” Baba vakadaro
ndokuseka vachikosora zvinyoro nyoro. Muviri wakange
usisina simba.
Mai vakanditarisa ndokuramba vakanyarara. Pave paye
amai vakazoti; “Usanyeperwa nababa vako vanoda
kuzvishingisa. Nhasi kwese vaswera vachitombonyarara
chaiko. Ndaswera pano handina kumboenda kumusika.
Ndakangobatira hana mumaoko. Ihondo chaiyo.”
Ndisati ndapindura takanzwa sirene yeAmbulance
ichichema, yakatanga iri kure ichibva yaswedera padyo
kusvika pagedhe pedu. Mota yaPaul yaive kumberi. Vashandi
vekuE-Med private ambulance services vakabuda
vachimhanya kunge vaiziva nezvepamba pedu. Hapana
zvakawanda zvavakataura asi kungoti murwere ari papi
vachibva vatora baba voenda navo. Paul ndopaakazopinda
mumba ndokukwazisa amai vangu.
“Sorry amai, I had to ambush you. Kudzie haana
kumbotaura kuti baba vari kurwara so. Chirongedzai tiende
ndinokusiyai kuHospital. Vaendeswa kuMedi-Park ndiko
kuna Doctor wedu. Don’t worry about the expenses it’s on
me.” Paul akatomboenda kumaShops tikasara tichibatsira
amai kurongedza, ivo vachigezawo nekutiraira zvekuita
vasipo. Vakabva vazoenda kuchipatara.
Mushure mesvondo, baba vakazodzoka kumba. Vakange
vave nane chaizvo zvekutoswera vakagara, dialysis yakange

Page | 100
yashanda asi urwere hwakange husina kupera. Kubasa
kwainakidza asi ndainzwa sendine chikwereti naPaul,
nemhuri yavo yese.
Asi mai Taruvinga was nicer than I thought. Vakauya
kumba kwedu nemagrocery egore rese, vakanditukirira pana
amai vangu kuti sei ndisina kuvaudza the very first day
ratakasangana. Urwere uhwu hwaida kuti tibatsirane sevana
vaMwari.
Mushure memwedzi, amai nababa vakatorerwa emergency
passports, ndokuenda kuIndia. Baba vakange vawanirwa
kidney transplant. Takasara vana tega tichifara chaizvo, hana
dzairova kuti ko vakadzoka vave chitunha, asi tarisiro
yaivepo yaive huru. Takange tatarisa baba kwenguva
yakareba chaizvo vachirwara, saka izvi zvaisarwadza.
Ipapa pakuzosara vana tega wakave muedzo kwandiri.
Paul aiziva kuti vabereki vangu havapo, saka hapana
kunyepa kana kwekumhanyira kwandaigona kutaura.
Takatamba mudhorobha, nekumba kwake semadiro ak e. Asi
chakazoita kuti ndinyanye kumufarira, haana kumbotaura
zvekuti tirare tese. Kana pataienda kumba kwake taiita nyaya
totandara onondisiya kumba kwedu. Ndakadyira, ndikawira
nemusoro. Nekuti ndaifunga kuti zvaaiitira vabereki vangu
izvi zvaizobhadharwa nei kusiri kudziisa nhovo yake. Apa
ndakatenda Mwari nazvo handina kuitwa chibairo zvaipedza
rudo kuna Paul.
Mushure memwedzi wese, vana amai vakadzoka. Mai
Taruvinga zvavakaita manje, vakatiti tigadzirire tiende
kuParty kumba kwavo. Takasvika pasina vanhu vakawanda,

Page | 101
yaingove mhuri yavo chete nana Mufundisi vekuchurch uye
vamwe vashoma vakuru vesangano. Mai Taruvinga vakange
vakafara chaizvo, vakati vaive ne surprise for us all.
Mutyairi wavo akazouya nemota achibva kuAirport
navabereki vangu. Takamhanyira baba kunge vakange vauya
vega. Takachema tese semhuri, kana nababa vangu
vakapfugama pasi vakatibata tese. Vakange vadzoka
vachifamba vega netsoka dzavo. Ko kutoona sevakange
vaonda izvo kwaani, kwaive kupera kwemvura dzese dziya
dzaingozara mumuviri wavo dzisingabude.
Mai Taruvinga nemhuri yavo, navamwe vese vaivepo,
vakatorwa moyo nekufara kwatakaita semhuri
yekwaChikore. Tese takazogara pasi tikadya nekunwa
nekutenda kasingaperi zvatakange taitirwa nana Taruvinga.
Takazoenda kumba kwedu, kukave kutanga kweupenyu
hwedu hutsva nababa vedu vave vatano.

Page | 102
CHIKAMU 03

Nemumwe musi, mwedzi wese baba vadzoka kubva


kuIndia, yaive lunch hour, boss madam namaiguru vaPaul
ainzi Eunice vakandidaidza. Takaenda mutown kuNandos
tikandodya tichifara nekutandara. Ndakange ndatove ne
almost 8 months ndichishanda paT&T Luxury Coaches
ndichingoonera maiguru ava kure.
Ndaiona sevaivhaira chaizvo. Vaipfeka zvaingooneka kuti
zvinodhura, vaifamba nemazimota mahombe
andaitombozviseka ndichiti mota dzechirume. Kana vasina
Discovery, vaiuya nePajero kana Fortuner, kana Land Cruiser.
Ndaisanyatsovafarira, vaizvida nekuroorwa kwavo mumhuri
ine mari. Asi nechepasi pasi pemwoyo wangu ndaivayemura.
Ndaizvidawo asi kutya kwaindikurira.
Musi uyu ndakashaya kuti sei ndakange ndaendeswa
kulunch nabig boss. Ndakabva ndazoti; “Madam kana pabasa
pakaita opening, baba vari kutsvaga basa. I know it’s too
much to ask asi ndinokumbirawo. Iyezvino vakanyatsopora.
Kana mishonga havachanwa.”
Mai Taruvinga havana kuita hanya nazvo vakati;
“Unoudzaka Paul ndiye angatoziva kuDriving nekumagaraji,
angashaisa baba basa here?” Vese vakanditarisa
vachinyemwerera pakutaura zita rekuti Paul.
Mai Taruvinga vakabva vazoti; “Kudzie, ndinoziva
handifanire kupindira nyaya dzevana vangu, ndosaka
ndadaidza maiguru vako ava kuti vandipupurirewo. Iwewe
feel free.”
Page | 103
Ndakaterera ndichishaya zvavaida kutaura. Vakatizve;
“Paul anoda kukuroora.”
Ndakanyara ndokutsikitsira, vakabva vati; “Asi hamuna
kutaurirana?”
“Takataura asi………. Asi handione zvichiita ini.”
Ndakadaro.
Maiguru Eunice vakabva vati; “Why not?”
“Iiiih,ndinenge ndanyanya mutoro chaiwo kwaari. After
zvese zvaakatoitira mhuri yangu ……. Iyezvino ndiri
kungoona sendine chikwereti.” Ndakadaro ndichinzwa
dignity yese ichipedzwa ne poverty.
Mai Taruvinga vakanyemwerera ndokundibata maoko;
“Mwanangu, even muBible chaimo, unowana vana Queen
Esther vaibatsirwa nevarume vavo kusimudzira mhuri dzavo
iwe wasiyanei? Ko wakaveka at the right place at the right
time ukadiwa hakoka. And remember, varue vane twunyaya
nyaya twavo twunotipa BP isu vakadzi, saka rega
akuchengete zvinotsivana.” Tese takamboseka chaizvo
Vakaenderera; “Chokwadi vanangu, chengetwai nevarume
venyu. Very soon unenge wave muLabour ward uchizham b a
wega uchizvara vana vedzinza rekwake, kana C-section
inorwadza inoti nhasi. Mangwana aita chipfambi watukana
netwusikana, mangwana auya akadhakwa akapinda
mugumbeze nebhutsu, mangwana akurova. Kana kufua rave
rombe ndiwe unondoswera mugomo uchchemera tsitsi
dzaMwari. Zvese izvozvo hazvitengwe nemari. Its priceless
mwanangu. Iwe ndinoona uri a good wife to my son. Asi kana
usingamude hako…. Well handingakumanikidze.”

Page | 104
Ndakashamisika nekuti handina kufunga kuti amai ava
vanganditarisa vakatoona muroora wavo. Ndakazvionawo
ndakagara muzi Discovery rangu ndichindopa Pastor
wekwedu kuMufakose maGrocery. Ndaida kuvatsika
mumusoro chete. Ndakazviseka pfungwa dzangu dzekutsiva
kunge ndivo vakange vandikonzera nhamo yangu.
Asi kubva musi uyu, ndakabvuma kudanana naPaul.
Haana kutambisa nguva, kungomuda chete kwandakaita
akabva atotsvaga munyai, ndokundoroora. Aida muchato
pakarepo uye baba namai vangu vaimuita mwari wavo. Asati
apedza kutaura vaitoti “Ndizvozvo mukwasha, itai
zvakatonaka izvozvo.”
Akange ave kusvotwa nekusada muchato kwangu kusvik a
ndazomuudza chokwadi; “Paul vabereki vangu vanoroja two
rooms. Ndopauchapaka limousine yawakati ndoyemwenga
here? Kana pekupfekera gown chaipo ndine mafriends
hapana. (ndakazenge ndave nema friends vana Chante nana
Hazel vekuBrooke. Ndasiya mabhururu vana Svodai nana
Nyeya kuMafakose.)”
Anenge akanzwisisa nekuti pazuva rakatevera takaswera
Warren Park and Kuwadzana house hunting. Ndaifunga kuti
imba yekuroja saka ndakatsvaga yakandinakira yaiita kuti
pamuchato ndionekerewo pahama neshamwari dzemurume
wangu.
Akabva aitenga ndokupa baba mapepa ese aive nezita
ravo. Ndakatya, asi ndiye aive mukwasha wevabereki vangu.
Takazoita muchato chaiwo kwete mbichana. It was a day to
remember, and a honeymoon kuZanzibar for two weeks,

Page | 105
ndokwandakabva ndave nenhumbu. Tichizotangawo musha
wedu.
Baba vangu vakandidaidza vakati; “Kudzai
wakandidadisa mwana wangu wedangwe. Usanondinyadzisa
kuvanhu vakashandura upenyu hwedu kudai. Kuti ndifam b e
pasi pezuva kudai ndiye mukwasha wangu. Siyana nezviri
kunze kwemusha wako. Varume varume vane misikanzwa
asi iwe ziva kuti ndiwe wakaroorwa. Gara mumba mako.”
Rairo yababa vangu yakandisvota asi handina zvandakataura.
He was simply saying endure any kind of abuse nekuti Paul
changed our life. Chokwadi akange achinja upenyu hwedu asi
inini ndaive chibairo chazvo here.
Anyway, I never had issues naPaul dzevasikana kana
anything……… Funny though but kuwirirana kwacho
zvekusatonetsana zvachose kwakange kwakanyanya,
kwaitobhowa. His phone yaisavigwa, yaingogara iri
pamhene. Sezvo taishanda tese ndaiziva zvese zvebasa saka
vanhu vaifona kana kutumira messages dzebasa
ndaingopindura.
Patakabva kuZanzibar kuHoneymoon yedu, takawana
amai vake vachirwara. Kurwara chaizvo zvekutoonda,
kutadza kudya nekutadza kufamba. Ndakatya, ndaivada
vamwene vangu.
Vakabva vangoti vave kuuya kuzogara mumba medu
vachipora. Handina kana kufunga kana kuramba.
Ndozvataitofanira kuita, ndaida kutovachengeta kusvika
vapora. Mazuva maviri ekutanga ndakatovagezesa chaiko
vasingakwanise kana kusimudza ruoko.

Page | 106
Chakangondishamisa handina kuona mishonga yavo
yekuHospital, pandakabvunza vakati vakange vapedza
mapiritsi avo saka vaizongopora. Handina kuzviisa
mupfungwa.
So taigara patafura todya tese, ndaibika ndichibatsirana
nemusikana aindishandira. Everyday Paul ndiye aidira red
wine mumagirazi edu tiri vatatu, inini, namai vake, naiye,
tonwa tondorara. Paul aidira zvakare red wine paka towel
kaaiita ka serviette kaaida everyday achidya. Ndairara kuita
danda chairo kusvika kwaedza.
Then ndakazotanga kuita very strange dreams. Ndairota
Paul akarara namai vake pamubhedha pedu, kurara chaiko as
in vachiita bonde. Ndaiedza kutaura kuhope ikoko ndotadza,
ndoedza kumuka kuti ndivabate, ndotadza. Asi zvakaramba
zvichiitika zuva nezuva kwesvondo rese.
Asi kubvira musi wandakatanga kurota zvakadaro,
amwene vangu vakabva vapora, kungotofuma vakapora
chaiko kunge vakange vasina kumborwara. Ndakangoti
varoyi zvavanoita. Vanoisa face yaPaul ivo vachishandisa
amwene vangu.
Pavakapora, havana kudzokera kumba kwavo, vakaenda
kwana babamukuru Patrick. Vakandoita Svondo yese. Saka
mwedzi uyu vakati svondo kwana babamukuru, svondo
kwedu. Pakutaura kwandaiita nevashandi, ndakazoziva kuti
vaisatombogara kumba yavo yavakatenga. Vaigochinjanisa
dzimba dzevana seizvozvi. Chandakaona ndechekuti
pavaibuda mumba mangu ndaisavarota. Vakangodzoka
zvototangazve.

Page | 107
Chakazondishamisa musi wavakadzoka mumba mangu
ndikavarota, ndakapepuka kwatoedza ndiri pakati pehope
idzodzo ndokunzwa mvura ichibuda mubathroom. Vamwene
vangu vakabva vabuda mubathroom remubedroom mangu
naPaul vakamonera towel rega. Vakavhunduka kundiona
ndakamuka ndokuti; “Sorry muroora ndange ndichida kutora
sipo.” Vakabva vaenda kuGuest bedroom kwavairara. Paul
akazobudawo mubathroom. Ndakashaya ana kuti ndobvunza
kuti chii, uye zvaizorevei. Ndakangosiyana nazvo.
Guest bedroom iyi ndakange ndisina kumbopindamo.
Maive ne avery big lock yavaiti kana vasipo vaikiya voenda
nayo. Handina kumboona spares. Yaitove room yamai
mumba mangu yandaisabvumidzwa kupinda.
Asi kubva usi uyu ndaiti ndikaona vamwene vangu hana
inorova, ivowo matarisiro avakange vondiita aityaisa. Kunge
vaiti usandibvunze siyana neni.
Ndakazosvishingisa ndokuenda kundoona amai vangu,
vaifara chaizvo, zvese zvaiendeka paimba yavo nyowani.
Ndakatarisa vabereki vangu ndichivayemura kuti vaKange
vadanana vasina chinhu, vakadananazve upenyu hwave
nane.
“Nhai mai Taruvinga mwanangu, chiiko uri kungoti
dzvutu maziso kunge pane zvauri kuona wega wega.” Amai
vakazobvunza.
Ndakabva ndavaudza zvese. Ndakapedzisira ndichiti;
“Kana amwene vangu vakashanya ndave kutotya kurara
amai. Zvinoita kunge zviri kuitika chaiko. Kunge ndiri k uona
pornographic videos kuhope. And zvave kutokanganisa

Page | 108
ukama hwangu navo. Kunge vanoziva kuti ndinovarotera
mashura akadaro.”
Amai vakambofunga ndokuti; “Chete vanhu vemari ava
vanonetsa haungavarevereri. Asi iweka, haunei nazvo izvo.
Tichatsvaga muteuro kuti zvifumuke ukwanise kurara chete.
Usatsvagane nezvakawanda mwanangu. Gara mumba
mako.”
Handina kuona kubatsirwa namai vangu.
Ndakavanzwisisa kuti vairevei kuti ndisatsvagana
nezvakawanda. Vaiti kunyangwe dzikaita chokwadi gara
kumurume, siya vaite zvinhu zvavo.
Ndakange ndisingachafari mumba mangu, ndakange
ndotya kurara. Ndakange ndotya kubatwa naPaul. Kana ari
masikati kunyange tiri pabasa ndikangoona amai naPaul vari
vese hana yangu yairova. Ndakange ndave mujere rangu
ndega. Pandakataura namai vangu hazvina kundibatsira saka
ndakafunga mumwe munhu wekutaura naye.

Page | 109
CHIKAMU 04

Ndakafumira makuseni kundoona maiguru Eunice.


Kwaitove kuma 6am asi ndakawana vakagara panze vega.
Handina kumboita zvekuti kukwira gomo hupoterera.
Ndakangoti dyo, nyaya yangu.
Vakaita sevaridza tsamwa ndokuti; “kana amai vauya
kumba kwako paDinner, usanwe red wine. Then tozotaura
futi.” Ndoyakave mhinduro.
“Matii maiguru?” ndakabvunza zvakare kuti ndinzwisise.
“Wazvinzwa, chienda, vari pano amai. Enda handidi
kubvunzwa kuti mange muchitaurei.” Ndakafambisa
ndobuda muyard mavo.
Musi weSvondo wakasvika. Ndakange ndatokanganwa
kuti maiguru vakati chii. Asi Paul akauya nered wine otidirira
tese samazuva ese. Musi uyu akange akanganwa ka white
towel kake upstairs, akandokatora ndokungodira red
wine…… Why? Musi uyu ndakazviona zvinhu
zvandaisafunga mazuva ese. Red wine ndakange ndotarisa
mafambiro ay ese. Uyu musi kakange kasina kushanda se
serviette saka kaidirirwei red wine?
Svondo rese rapera akange asingandipe wine amai vasipo.
Nhasi vauya ondipa……. Why? And maiguru vakange vaziva
sei kuti tinonwa red wine manheru ega ega kana mai varipo?
Handina kunwa red wine. Ndainyika upper lips ndodira pasi
petafura. Ndini ndakatanga kundorara, samazuva ese kana
amai varipo ndaisiya vachiita nyaya dzavo.

Page | 110
After an hour, musuo wakavhurwa Paul ndokupinda……..
namai vake! Vakabvisa mbatya dzese….. I mean dzese kuti
hwaaa, ndokurara padivi pangu. Amai pakati Paul
kumucheto. I froze.
Pasina nguva Paul ange ave pamusoro pamai vake vachiita
bonde……… ndichiona……….. I think I fainted. Asi pese
pandaipepuka ndaiona mumwe wavo ari pamusoro
peumwe……… Usiku hwese. Zvaityisa…….
Vachitondigumha, vachitochemerera zvekufarira zvavaiitana.
Ndopandakazoziva kuti zvandaiita sendairota zvaitoitika.
Red wine ndiyo yaindikotsirisa ndoita sendiri kurota ini
ndisiri. Kwakanonoka kuedza wena. Kuchiedza amai
vachibva pamubhedha wedu ndakamhanyira kwamaiguru
ndisina bhutsu, ndisina kugeza kumeso.
Vakangoti vachivhura door ravo ndichiwira mumaoko
avo, vakandibatsira kufamba tikandogara pamasofa.
Ndakandandama ndokuti; “Handina kunwa red wine.”
Maiguru vakanyemwerera ndokuti; “Welcome home Mrs
Taruvinga. Wave mai Taruvinga chaivo chaivo manje.”
“Why? So munozviziva kuti amai vanorarana ku…….
Kuitana naPaul? Hamutyi?” Ndakabvunza.
“Kana naPatrick futi. Pavanouya kuno ndinotoenda
muGuest Bedroom. I made peace with it. Handina basa
nazvo. Ndihwo hupenyu hwedu.” Maiguru Eunice vakadaro.
Ndakashamisika zvinokunda kushamisika. Ndakabva
ndati; “Mese, mese muri varoyi, Satanists, munopenga
kupengereka chaiko.” Ndakange ndozhambatata maiguru
Eunice vakandibata muromo. “Shut up you fool, murume

Page | 111
wangu achiri muno. Chienda kumba kwako undoona
mapedzero aungaita nhamo dzako. Ini ndiri bho. Buda
mumba mangu. Waifunga kuti Discovery inofamba nevane
hana nhete? You see me land cruising ukati ndakachipa?”
Ndakafamba ndokubuda ndoenda kumba kwangu.
Ndakange ndonzwa musoro nedzungu rehope, nekutya.
Ndakamborara.
Ndakamuka ndasara ndega pamba, pandakangopedza
kugeza, amaiguru Eunice vakabva vapinda. Takambogara
takanyararisana vachibva vazoti; “Kudzi, ndakarerwa
naStepmother vaive nehutsinye zvekuti ndikakuudza
zvavaindiitira unondinzwisisa. Ndakakurira kuMbare uko
ndichirara panze, nenzara I don’t want to go into details.
Pakafa baba zvakaita worse ndisina kwekuenda, stepmother
vachindiitisa chipfambi ndine 14 years. Ndairara nevarume
kana 5 usiku humwe chete, vopiwa mari vodya ini ndisina
chinhu ndisingaende kuchikoro. Ndikatiza pamba
ndikamboita street kid. Ndikazoita housemaid kwakasiyana
siyana till ndazoita housemaid wamai Taruvinga. Actually
our mother in law picked me up ndadzingwa kwandaishanda
vanhu ivavo vavingwa vakavhundutsirwa namainini, my
stepmother.” Eunice akadaro. Nyaya dzacho dzaitonyanya
kutyisa
Akaenderera; “Mai Taruvinga took me in ndiri mhuka
chaiyo. She was patient with me, she groomed me ndikave
munhu. And vakangondiudza point blank kuti ndaifanira
kuroorwa nemwana wavo and keep the family secrets. Even
pavakavingwa namainini, vakavaita zvinorova.”

Page | 112
“Vakaitei?” Ndakabvunza hana yangu ichirova.
“Vakatigarisa pasi vakati tiregererane. Mainini vakafarira
mari yavakapiwa vakanzi endai mundohodha kuZambia.
Bhazi iroro rakaita accident mukafa vanhu vakawanda. Ndini
ndaive next of kin wamainini. Ndakandotora body
kuMortuary ndikapa mai Taruvinga. Hameno kuti vakadii
nayo but hakuna mariro akaitwa kana kuvigwa kwavo
handikuzive. Ndine vanin’ina two vana vamainini. Vese
takavhurira good businesses. Saka we have their blessings
nekufa kwamai vavo. We all benefitted hapana anochema
nenzara achiti dai mai varipo.”
Pfungwa dzangu dzakadzima……… maiguru Eunice
vakabva vati; “So pandakaziva kuti amai ava kuromba kwavo
kurara nevana vavo handina kuita basa nazvo. Mainini vangu
vaindiitisa inini nebody yangu horrendous, unspeakable and
dreadful things pasina chandaiwana. But ava vanoitana havo
vega vachindipa a dream life of any woman, zvine basa rei.
Saka ndikoko. Ndogara, handibvi pano.”
Eunice akange ohuta muviri wese asi achizvishingisa,
akabva ati; “Kana hama dzavo dzaivapumha huroyi ihohu
hwekuromba, vakanyarara pandakaroorwa nekuti hapana
wandakaudza. Vana tete nana bamudiki vaida kuziva ziva
ndakavarambira. Ko ndinobvei? Ngavaite zvavanoita kure
neni.”
Ndakaramba ndakanyarara, maiguru Eunice vakabuda
vachiti; “Make a decision my dear. Ndozviripo.”
Ya ndaifanira kufunga zvandinoda kuita neupenyu
hwangu. Vhiki rakauya amai mumba mangu ndaive nema

Page | 113
sleeping tablets plus red wine. Taindorara tese tiri vatatu.
Ndaingozoona kwaedza ndichigumhwa gumhwa ne
threesome yedu.
Ndakazonyatsofunga ndikati vanhu ava vanojaira. Zvinhu
izvi zvoda kufumurwa. Saka ndakati mumwe musi pakati
peusiku vatanga huroyi hwavo amai nemwana, ndakabatidza
light. Vese vakaita sepasina zvandaita vakaenderera kusvika
vapedza.
Ndakatonyanya kutya. Ndakange ndaitei? Kuzvipa
nhamo. Amwene vangu vakamira mberi kwangu vakasham a
vachipukuta hurume hwemwana wavo hwakange hwakazara
muzvidzva zvavo.
Paul akabva ati; “Une dzungu stereki asi watibatsira, you
have set us free. Tave kukupawo zvako zvekuita mumba
muno usiyane nezvatinoita. Tosangana pakudya mari.
Ukagona izvozvo uchatenga imba yako kuIsland kwaunoda.”
Vese vakamonera matauro vasina zvavakapfeka mukati
ndokuti; “Huya tikuratidze.”
Takaenda muguest house mandaifunga kuti ndimo
mairara amai pese pavaitishanyira. Pavaienda kwana
bamukuru yaisara yakakiiwa, yaisavhurwa.
Ndakaona pamubhedha pakarara mukadzi akashama……
chitunha chemukadzi akashama. Pasi paive nedhishi resimbi
raive nezvima towel zviya zve white zvaiiswa red wine
naPaul everyday. Paul akatora chimwe chakachena
ndokudira red wine yaive padressing table imomo
ndokupukuta chitunha chiya muviri wese.

Page | 114
Paul akabva ati; “Nekuti waona zvimwe, iri basa rave rako
rekupukuta queen wedu. Ndimainini vaEunice ava
vaimushungurudza ndivo vatinoshandisa kuvhara kuti
nyangwe ukaenda kuchechi kupi haufumurwe. Saka
unovapukuta nered wine iyi everyday usati warara. Ndati
zuva nezuva, with a new clean towel, haudzokorore towel.
Aya akashanda aya tichakuudza kwaunondomarasa.”
Ndakangogutsurira ndokunyarara. Ndakazovarega
vondorara vese in my matrimonial room ndoenda mune
imwe bedroom. Makuseni ndakanyepera kukotsira
pavakabuda.
Ndikazoenda kuna amai vangu ndoedza kundovaudza.
Ndokwandakaitira mazi panick attacks ndichiedza kutaura
asi ndakatadza kutaura.
Nanhasi ndichiri muhospital. Amai vangu handisati
ndavaudza. Hapana wandati ndaudza. Hana yangu ichiri
kurova. Stress yakandigara madunduru. Ndiri kutya
zvisingaite.
Vari kuti ndange ndichiita sendabatwa nebuka kusvika
ndauya kuHospital………… ndichaita sei?

THE END

Page | 115
GOD MY HELPER

Psalms 54:4 “Behold, God is my helper…”


The words “God is my helper” are astonishing. Think
about them for a moment. They literally change every
situation. God, the God of the universe, the omnipotent, all-
wise, all-loving, righteous, true, angel terrifying, sinner
saving, God is MY HELPER.
 I am really not feeling well, and I’m really tempted to
complain… but God is my helper! He can heal me, or
give me the power not complain, or both.
 My child is not doing well spiritually, and I’m at my
wits end… but God is my helper! He can melt my
child’s hard heart and give me wisdom to navigate the
every sticky situation.
 My life is stagnant, everything just go wrong no matter
how much effort I put … but God is my helper! He can
give me diligence, patience, and love.
 I’ve sinned in the same way again and again and
again…but God is my helper! He promises that sin
will not have dominion over me. He will give me
power to overcome this sin.
There is no situation too great for God. There is no heart
too hard for God.
There is no budget too tight for God. There is no boss too
difficult for God.

Page | 116
God is your helper! He is my helper! Those four words
change every situation.
Do you need wisdom today? God is your helper.
Do you need strength today? God is your helper.
Do you need patience today? God is your helper.
If God is your helper, that changes everything.

Page | 117

You might also like