MAMOYO 《Free Chapters 》 1

You might also like

Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 298

MAMOYO

(Fre chapters)

Written By Rue M
0788357900

Chapter 1

Pandakaona baba vouya nedemo


ndakangosimuka ndikabuda mumba
ndakarova bara. "Mubatei Munya!"
Vakadaidzira Munya nemawara
akanditsoma kukanganwa kuti kumhanya
kwaive kudya kwangu zvekuti
paSimbarevanhu High School vaitotemba
neni kumasports what more apa
pandaitiza nehupenyu hwangu.
Ndakamhanya nebani kusvika
ndisingachaone munhu ainditiverera asi
ndakaramba ndichimhanya nekutya kuti
anogona kundinyangira sezvo kwanga
kwasviba. Ndakatozotanga kutura
mafemo ndadarika pamba pasabhuku
ndakuona pamba pandaienda.
Ndakasvika ndichiita zvekunyangira
pamba panaDenny ndichiti nditange
ndapfukuta shena yaive mumakumbo
nekuti changa chatobvondoka asi kuti
ndizosvikira vanhu neshana yaisvika
mudumbu zvaisaita. Ndisati ndapukuta
shena yacho nejuzi randaive ndakurura
imbwa dzaDenny dzikati, "unonyepa
Nyasha." Dzakahura sedzisingandizive
zvekuti ndakashaya kuti mawara eyi
adzaiita isu tichizivana.

"Nhai vakomana budai mutarise kuti


ndiyani ari kuhukurwa nembwa!"
Vakadaro Mai Denny ini ndakutosvika
kukitchen kwavo kwaive kwakavhara door
zvekuti door parakangovhurwa ndakaita
sendichaenda kumusana kwaFungai
munin'ina waDenny.

"Hezvo ko ndiwe?" Vakadaro Mai Denny


vachisimuka sevaona chigure ndikati,
"ehe ndini." Ndaive ndozvigadzirisa
gadzirisa kuti ndiratidzikewo but it was
too late. "Kwakanaka?" Akabvunza
Fungai ndokubva ndaenda kuseri
kwedoor kwakuchigara ndakapfumba
rusero, Mai Denny ngavarove chikwee
chakatanga kuhukurisa imbwa futi.

"Watumwei Nyasha," vakazobvunza


vamira kuseka ndikati, "handina
kumbotumwa ini." Ndaive ndakutaura
ndakatarisa pasi nenyadzi zvikanzi
nababa vaDenny, "zvino mavingei nhai
VaMamoyo?"

"Ndauya kuzogara pano," kuzongodaro


chete ndakafadza vanhu vese vaive
mumba nekuseka kusara kwavamwene
vangu vakati, "ko kumba kwenyu
hakuchina nzvimbo yako?"

"Iriko asi ndadzingwa," ndakanyepa ipapo


but kutorerwa demo kwanga
kwakangofanana nekudzingwaka.
"Wadzingwa ukanzi enda kwaMai Denny
ndiko kunochengetwa mastreet kids?"

"Taura zvakanaka Mai Denny?" Vakadaro


baba vacho zvikanzi, "kutaura zvakanaka
kwei ngakataure zvakavinga pano."
"Ndine nhumbu yaDenny," ndakakaruka
ndati dyo zvikanzi navamwene, "baba
vangu Shumba iwe huyai mundinzwire
mashura ari pano. Wati une nhumbu
yani?" Vaitaura vakabata musoro
ndikatoshaya kuti zvadii.

"Denny akataura wani kuti anodanana


naNyasha izvi zvamakubvunza hazvina
basa," akadaro Fungai akarohwa
nechikuni chemoto akabuda mukitchen
achibhon'a. Fungai ndaidzidza naye and
hapana chaisaziva pakati pangu naDenny
sezvo anga ariye postman wedu.

"Zera rako unondiudza kuti want watoziva


varume zvekusvika pakuitira nhumbu
murume wemunhu?" Handina kukwanisa
kupindura mubvunzo wavo
ndokungotsikitsira ndinyerere semunhu
aida kugamuchirwa pamba. "Haunzwe
here iwe!" Vakadaro nehasha ndikaita
kakuvhunduka ndichiti, "ndinonzwa
matii?"

"Zvemabook wanga watopedza kusvika


pakuda kuzvarira baba Ishe murume
wemunhu?" Ndakadzungudza musoro asi
nechemumoyo ndichiti, "Denny haasi
murume wemunhu handi atove negore
arambana naMai Ishe here plus
pandakatanga kudanana naDenny
ndaisaziva kuti anga achangorambana
nemukadzi wake." Ndaive ndabva
kuMhondoro pakashaika mai vangu
semunhu anga asisina wekugara naye
ndipo pandakatorwa nababa
ndokuuyiwiswa kuBikita kwaive nemhuri
yavo. Mazuva ekutanga zvaitove
zvakaoma nekuti hapana aive akwanisa
kundigamuchira nekuti haisi nyore kuti
vanhu vozongoona mwana ane 16 years
voudzwa kuti ndeumwe mwana wangu.
Mukadzi wababa akambotanga achibata
rough nekundiitira mamood asi
zvakakasira kupera baba vati
ngavagamuchire zviripo nekuti handina
kwandaizoenda. Mazuva iwayo ndiwo
andakatanga kuona Denny akabva ave
first boyfriend apa semunhu anga asina
mashamwari hapana akandiudza kuti
munhu ane mwedzi adzinga mukadzi.
Ndakatozoshamisika umwe musi
ndagarirwa nevakadzi four ndichibva
kuchikoro ndikarohwa big size zvichinzi
ndini ndakarambisa mukadzi waDenny.
Ndakaenda kumba ndisingagone kufamba
luck enough baba mazuva acho vanga
vasipo saka nyaya haina kuita nyaya.
Ndaive ndisingachade nezvaDenny asi
mama vandaive ndogara navo ndivo
vakandisimbisa kuti ndisamurambe.
Ndakatozoziva main reason yacho
ndadzokerana naDenny kuti mama vanga
vane grudge nemukadzi waDenny sezvo
akambovarovera nyama kuzunde saka
daka racho harina kupera. Denny
akatozoendesa gupuro kumba kwaMai
Ishe chero asina kumbobvira ataura
chikonzero chisvinu chaive arambira
mukadzi. NaDenny taingodanana
muchivande zvichizivikanwa nevashoma
kusvika ndabata nhumbu. Mama vakava
vekutanga kuzviziva ndisati ndatoziva ini
muridzi wayo. Kutoti, "Nyasha wave
nenhumbu iwe ini ndikati kana ndakarara
naDenny ka1 and futi last month."
Chaitove chokwadi ndaive ndarara naye
mwedzi waive wapfuura ndikarwadziwa
nekubvisa humhandara ndikapfira
chikomba pasi ndikati handizvipamhe asi
kuti nhumbu yainge yabata ipapo
ndakaramba kusvika mama vaita
zvepregnant test ndokuona zvesure
nhumbu iripo. Tisati tarasa chipregnant
test chiya ndipo pachakaonekwa nababa
vakati vavava kusvika ndabvuma kuti
ndine nhumbu ndipo pavakazonditorera
demo ipapo.

"Hezvo wakuda kutobatwa nehope uri


ipapo?" Vakadaro Mai Denny
vachindizungunutsa ndikati, "matii?"
"Usade kundiidza benzi iwe unoti
nezvauri Denny angadanana newe?"
Handina kuvapindura nekuti ndaive
ndakutonetseka mupfungwa kuti
nemapengero aiita Mai Denny ko Denny
akaramba nhumbu yacho ndaitangira pai
chaizvo. Iye Denny anga aenda kwaNyika
kwaanga ane contract yekuvaka saka
aitozodzoka neweekend apedza basa.

"Mama Denny ndiye muridzi wenhumbu


chero mukamubvunza anozvibvuma,"
ndakadaro zvinyoro nyoro zvikanzi,
"handisi mai vako unondiona sechipoko
ini?" Zvaipindurika here izvozvo. Baba
vaDenny semurume ndivo vakati,
"ngatinozororai veduwe idzi nyaya
dzaDenny dzinozotaurwa auya."
Vakataura vachisimuka zvikanzi naMai
Denny, "wazvinzwaka tichataura Denny
auya saka chienda kumba kwenyu
unorara kana Denny azouya tichatuma
munhu okudana, usakanganwe
kuverenga wazvinzwa?"

Vaive nezvipo vakaseka havo ini rambei


ndiri zii ndakagara kuseri kwedoor
zvikanzi, "chisimukazve chisikana uende
kumba. Vasikana muperekedzei kwasviba
uku anozotadza kusvika tikapihwa
mhosva pano." Vasikana vairehwa
ndevamwe varoora vavo vaviri vanga
vakaroorwa nematwin aMai Denny aivera
Denny pakuzvarwa.

"Achiendepiko iwe!" Vakadaro netuhasha


baba Denny vakapihwa ziso randisina
kunzwisisa but he didn't care. "Mai Firi
endai munomuratidza room yaDenny
azorore mwana uyu," vakadaro vatezvara
ndokubva ndasimuka zvikanzi
navamwene vangu, "uhu kana
kusanyara?" Kwaibvirwa ini.
Ndakanoratidzwa kuroom kwaDenny
chero ndaikuziva ndokubva
ndazvizororera.

The following morning ndakamukirana


nemachongwe ndikatsvaira chivanze
semuroora mutsva asi Mai Denny
vakamuka vachitangidza chero munhu
wese ainyatsoona kuti ndatsvaira
zvakanaka. "Ndokutsvaira
kwawakadzidziswa naMai Mako
kwekupedza ivhu rangu pachivanze
kudai?" Vainyatsotaura zvedrawer
attention zviya kuti,"ndinzweiwo nhai
vanhu."

Kuchivira ndakaenda kugarden kwavaive


vandituma ndiye dhumha dhumha naMai
Ishe nevamwe vavo vachibva kunowacha.
Takangopfuudzana ndikazonzwa vakuti,
"regai zvenyu muone kanoti kanopagara
pamba paya naMai vaDenny ini chaiye
ndakapatadza. Mwedzi chaiwo
wakawandisa aripo paya."

"Mai Ishe naMamoyo vanhu two


vakasiyana ini ndiri kuzopagara manje
pamba paya," ndakataura ndega zvangu
ndichipinda mugarden ndokutemha
muriwo fast ndokudzokera kumba
ndikatodarika vanaMai Ishe muroad. Gotsi
rangu raiita kurema nekunzwa kuti
ndaitaurwa big time kumasure.

Ndichisvika kumba ndakafara kuona


kaopen truck kaden pamba ndikaziva kuti
adzoka asi mufaro iwoyo hauna
kwawakasvika ndanzwa Mai Denny
vachichema mukitchen vakapfugama
pamberi pake. "Zvirinani kunokumbira
rugerero totora Mai Ishe Denny pane
kuroora pwere inonhuwa weti iyi Denny.
Munhu ane 17 years unomudii Denny
unoti chero Isheanesu anogona
kumuchengeta iyeyu. Chokwadi Denny
ukangobvuma nhumbu iyoyo ndiri
kuzvisungirira rakacheka nyika kudai."
Kana ndimiwo kwaive kuita here ikoko?
Pandakapinda mumba vakawedzera
kuchema Denny ndokubva atanga
nekunditi, "ndiri kunzwa kuti une nhumbu
ndeyani?"

Semunhu anga agara anyimwa chikafu


kubva makuseni ndakapera simba worse
nemubvunzo waDenny ndokuzongoti,
"Denny ndine nhumbu yako."

"Chirudzii nhai Nyasha?" Moyo


wakatsemuka kuita mapiece ndanzwa
izvozvo. "Kwazvo handiti takarara tese
paya Denny?"

"Inini Dennis Mangu kurara newe Nyasha


Moyo?" Mubvunzo wake wakaita kuti
ndidonhe pasi ndokutombodzima ndiripo.

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/CC55KUCvYw
E7vTkkLHckaT

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 2

Nyasha
Ndakatanga kuvhura maziso zvishoma
nezvishoma ndichida kuona kuti
ndamukira pamba paMai Denny kana
kudenga kana pari paMai Denny
ndomboramba ndakafenda zvangu asi
Denny ziso rake raive pandiri zvekuti
ndisati ndanyatsoona kuti ndiripi akabva
ati, "thank God amuka." Ndaive
ndakanyora hembe dzese zvekuti
ndakangoziva ndega kuti ndinenge
ndadirwa bucket remvura namai
vemunhu.

"Wambodya here Nyasha?" Akabvunza


Denny auya kuzochonjomara paside
pangu kunge rudo iniwo ndisati
ndapindura zvikanzi, "achidya kupi
kuramba tea makuseni achiti haade tea
ine malemon bva kana iri nhumbu gore
rino tichaoneswa," vakandinyepera Mai
Denny. Pavagadzirwa breakfast naMai Firi
vakamhanya ivo kupakura kwakuchinditi,
"ndiro pano dzishoma Mamoyo
wotomhanya kumba kwenyu wototora idzi
dzauonoona apa ndedze display."

"Ko handiti mukaka wacho uripo here


madii mamupa?" Akabvunza mai vake ari
serious ndikashaya kuti achinja maside
rini. "Huye don't newe Denny
ungatotsigirwa kujaidzwa kusina basa?
Panoka zvese zvinoshandirwa hapana
mai vake vaiivigirwa mari nezvikomba
vakagara votanga kupfachura
vachimuitira chese chaanoda. Food for
work pano pamba," nechavaipinzira mai
vangu panyaya iyi ndakachishaya.
"Mama zvinozoita here kuti vanhu vanzwe
kuti muroora wepaMangu akafenda
nenzara?" Akavhunza Denny akuisa
kapoto pamoto zvikanzi, "kana ari uyu
ngaafende zvake. Ndiyani asingazive
hunhu hwake muno muraini? Izvozvi Mai
Moyo vazorora kutaura kuno kuti
zvavabva isu tonzi tigashire mutoro uyu
pamusoro pazvo nhumbu isiri yako?
Ngaaende zvake kuorphanage kana
ashaisisa kwekuenda kana kuMhondoro
kuhama dzamai vake." Vaitaura zvavo Mai
Denny.

"Nhai Nyati regai ini ndibike, garai


pabench baba," apa vaitaura vachiuchira
Denny uyo anga akukurungira kasadza.
Akagara pabench vakabika
vachingopopota. Vapedza kubika sadza
vakamukangira mazai.

"Hi rakawandisa mama Nyasha


haangamboripedze rese iri!" Akadaro
Denny vave kupakura mai vacho
vakakanuka vakati, "wati chii?"

"Ndati mungabva mapakurira Nyasha


sadza rabhiridha kudaro?" Vanga
vapakura sadza rabhiridha nekufunga kuti
Nyati yavo ndiyo yaida kudya. "Hino
ndabikira Nyasha sadza?" Vakaratidza
kubatikana zvikanzi naDenny handiti,
"afenda nenzara?"

"Nzara ipi newewo dzanga dziri nyadzi


dzekuti waramba nhumbu yake. Hino
zvinozoda here kuti mai mwana
wemusango mwana oita mwana
wemusango? Nyasha sei usingasvode
iwe?" Handina kudavira zvikanzi
naDenny, "chimbomupai sadza mhai."

"Rega ndidane vana Firi vabve vangodya


vese handiti vese vana here?" Vakadana
vana Firi vakauya vari team chaiyo. Vaive
nevazukuru four kuti Ishe anga ane four
years koti Firi anga ari mudiki kuna Ishe
nemwedzi mishoma achiteverwa naAnna
mwana wemumvana wavo aive kuHarare
kopedzisira Tara anga achangobva
pamukaka aive netwo years. Vese vari
four vakangogeza maoko muchigaba
chepamoto one time kuri kufarira sadza
maoko akauya achiyerera mamhororodzi
uku Tara achipukuta madzihwa nekuseri
kweruoko rwaizodya sadza.
"Ishe tora ndiro iyi munogara pane umwe
wenyu mudye sadza," vakadaro Mai
Denny zvikanzi naIshe, "pana mama?"
Aive akutondiziva nekuti kubva
pandakazoziva chokwadi chaDenny
akabva aintroducer Ishe kwandiri and
kazhinji pataienda kwaNyika kunofara
taienda naye.

"Ija mama," akadaro Ishe aona ndirini


ndega ndaisadya. Moyo wangu wanga
watosviba nehuchapa hwandaiona ndonzi
ndidye musame plate nepwere idzodzo.
"Ndaguta Ishe," ndakadaro ndichisimuka
zvikanzi naMai Denny, "hoyo munhu
wako?" Aireva kuna Denny uyo
akanditarisa tikasanganidza maziso
ndokutsikitsira. Handina kuzoda kuzviisa
mumusoro ndokubuda mumba
ndichimhanya panze kunorutsa. Apa
ndaingorutsa mvura sezvo dumbu ranga
risina chinhu.

Denny akauya pandaive ndakakotama


akandibata musana ndikangonzwa
zvichinditi yeredza misodzi ndokutotanga
kuchema ndichiti, "Denny kutaura
chokwadi chokwadi nhumbu ndeyako.
Ndakazviziva nezuro ndikati ndozokuudza
weekend wadzoka but baba vakakasira
kuzviziva vakatanga kuita hasha
vachipopota vachibvunza kuti nhumbu
ndeyani ndichiramba ndakanyarara
kusvika vazonotora demo ndipo
pandakatiza ndikauya kuno."

"Wakauya nehembe?" I didn't expect him


to say that but ndakangodzungudza
musoro akatanga kufutsira pandaive
ndarutsira ndokuti, "hande kubedroom."
Takaenda ndakangonyarara akasvika
achiti, "apa ndatosiira basa pakati
ndatonerwa namhai zvichinzi ndiuye
kumba hakuna kumira mushe. Wakatadza
kuenda kana kwaVaMuga wakamirira kuti
weekend ikwane here nhai Nyasha."

"Ndakatadza," ndakapindura zvinyoro


nyoro zvikanzi, "wakatadza kana kuti
hauna kuzvifunga?" Aive
akutondishungurudza nemibvunzo yake.
KwaVaMuga kwaive kumba kwatete vake
hanzvadzi yababa vake. Of course ndaive
ndisina kuzvifunga but chero dai
ndakazvifunga ndaisaendako nekuti
vatete vake vaitove worse pana vamwene
vangu.

"Izvezvi basa rangu rakamira nekuda


kwako," akadaro Denny ndikati, "saka
ndiende kwaNyika kunovaka here?"
Denny ndaitomupindura anga asiyana
namai vake vandaitya nekunyara.
"Muromo wako uyuka," akadaro achigara
paside pangu ndikati, "saka une chokwadi
kuti hauna kumborara neni? Denny musi
uya wataenda kulodge kuchinaya paya
watokanganwa?"

"Nyasha inzwa..." Akataura achindibata


maoko ese but asati apedza statement
rake mai vake vakangopinda pasina kana
knock. Vatete vako vauya Denny vaudze
nyaya vadzokere nemunhu uyu nekuti
kana usina kurara naye anogarirei pano?"
Zviya zvekuterera nzara unenge
uchakagarika ini ndaive ndongofunga kuti
ndichadzoserwa kumba ndodii.
Ndozongoita mvana yemuraini? Ko ivo
baba vangu VaMoyo vainyarira pai nekuti
vanga vasingagone neni. Pandakafunga
nezvavo ndakashaya kuti kuchikoro
vaizvifambisa sei nekuti vaitove teacher,
zvonzi mwana wateacher atizira.

Ndakadanwa naIshe achiti ndaidiwa


kukitchen kwaive nedare uko Denny
kwaiudza hama dzake zvekunyepa kuti
takarara tese last week that too
tikashandisa protection.
Wakamborambirwa zvakaitika nemunhu
kusvika palevel rekufunga kuti maybe
zvakaitika hazvina kuita ndairota? Ndizvo
zvandakaitwa naDenny, ndakatanga
kufunga kana ndine umwe munhu
wandakanorara naye kulodge asiri Denny.
Kurohwa neconfusion kusvika
pakubvuma zvinhu zvisina kuitika. Denny
anga asingachade kutarisana neni apo
mai vake pavaiti vatete vachienda neni
ndikatoona kuti haikona, Mai Ishe
vairevesa kuti mwedzi handiupedze
paMangu ini paya ndaive ndaita nharo
ndichiti ndopagara semunhu aivimba
naDenny asi kana Denny wacho anga
asisandide ndaiti ndiri kugarira ani
wangu.

"Mukuenda kupi mama?" Akabvunza Ishe


zvikanzi navatete, "haikona kupindira
nyaya dzevakuru iwe enda unogeza uko!"
Kakabva pataive kachichema Ishe.
"Chiendai munotora mabag enyu
mainini," vakadaro Mai Muga zvikanzi
naMai Denny, "mabag api nemiwo tete
akauya ari zvaari ipapa."

"Aikazve nhai baba vangu Nyati saka


hande," vakadaro asi tisati tabva pamba
ndakaona baba vosvika pamba
nemapurisa four, two varume netwo
vakadzi. "Kutizira kunosungisa nekuita
nhumbu kunosungisa?" Ndakazvibvunza
nekuti ndidzo mhosva dzega dzandaive
ndapara.

"Tingaonawo Dennis Mhangu?" Asked


the lady officer mai vacho vakakasira
kudavira vachiti, "aita sei?"

"Tanga tichikumbirawo kumuona,"


another lady officer said zvikanzi natete,
"hamukwanise kana kutikwazisa sure?"

"Mati mwana wangu aita sei?" Mai Denny


vakaisa wavo mubvunzo zvikanzi neumwe
mupurisa wechirume, "uyu murora wenyu
ane makore mangani zviya?"

"Umm akakwanisa 17 mwedzi wapera


museri sandizvo here VaMoyo?"
Vakataura vachingoringa ringa Mai Denny
kutoshaya nechavaitsvaga. "Ko Denny
ane makore mangani?" Vakabvunza
vamwe officer zvikanzi, "une 28 years."

"Imhosva iyoyo kuti nekukura kwake aite


underage mukadzi," akadaro mupurisa
uya wekutanga kutaura zvikanzi naMai
Denny, "ndozviziva vakuru Denny
ndatomuudza saka apa tanga tave
kutonodzosera mukadzi wake kwaMoyo."
Vachipedza kudaro muparazvongo
akabva abuda mumba zvikanzi nababa,
"uyo Denny wacho! Rionei zirume ziguru
kusanyara kutsimbirira pwere yakadai."

"Naiyo pwere yenyu hainyare


kutsimbirirwa nezirume rakadai? Manje
muchengeta kazukuru kenyu mega,"
ndiMai Denny ava.

"Hanya nani? Ndochengeta handi ndichiri


kusevenza here asi imi muchadya
zvidhinha izvo foromani wenyu ave
kujere," vaive vochinjana mashoko
vababa apa ainzi foromani ndiDenny.
"Achiendera kujere kanzenza aka?"
Vakadaro vachindidhokonya pahuma
Moyo akati aita hasha kuda kutorova Mai
Denny ndokuzobatwa nemapurisa.
Mapurisa akadzimura bopoto revaviri
akutora Denny.

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/CC55KUCvYw
E7vTkkLHckaT

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 4
Dennis

Chomuti nevamwe vake ndivo


vairatidzana maphoto ini ndangotsikitsira
pasi. Phone yakazodzoka mumaoko angu
Donny akufona achiti ave kuuya kumba
ndikati hapana chakashata. Nyaya yangu
yandaive ndavinga hapana akazoita basa
nayo vanhu vakuzama kubata Tendai
paphone uyo aisadavira kusvika mapurisa
aronga kuenda kumba. Chomuti
akangondipa sign yekuti ndiuyewo
kumota ndokubva ndaenda ndikanogara
kuopen truck neamwe mapurisa. Ko
aindibvunza kuti ndiri kuendepi ndiyani?
Ndaive ndafirwaka saka vaitofanira
kubata maoko. Tichisvika paMado
takaona Donny achiburuka taxi
ndikashaya kuti anga abva Masvingo
town zvanguvai asi handina kukwanisa
kumubvunza. Mota yakamira akapinda.

"Ko mukoma mapara dzei makufamba


nemapurisa?" Akabvunza achizevezera
ndikati, "pakaipa ndichakuudza."

"Ndaizviziva kuti one day gava


richadambura musungo chokwadi
ungatamba nehupenyu kudaro hezvo
ndezvipi?" Aidaro achinditambidza phone
kuti ndivaone futi mama vakatsva
ndokubva ndaita zvivindi zvemurume
ndikatora phone iya kwakuchitanga
kuona maphoto aya. "Hapasi pamba apa
wani?" Ndakabvunza ndaona munhu
wacho aive akatsva ari pavhu patsvina
chaipo and imwe imba yaibuda paphoto
yaisatove yedu.

"Havasi mai vangu ava," ndakadaro


ndichidzosera phone ndatoona chero
body kuti yaita idiki pane yaVaMasibanda.
Mama vanga vakareba uye vakasimba asi
munhu aive papicture anga asina kureba.
When I tried to explain that to others
vakaona sekuti it's just denial yekuti mai
vangu vafa. Ndiri kutadza kuzvigamuchira
ndosaka ndichiramba.

Takasvika pamba pakazara nevanhu hana


ikarova ndafunga kuti zvesure vashaya
asi pandakazoona munhu achibuda
mukitchen achimhanyira kumota
akavhura maoko ndakabva ndangoti,
"finish."

"Nyati yangu yadzoka kani!" Vakadaro


vachiita sevachakwira mumota ini
ndokubva ndazojamba. "Matomuka?"
Donny akabvunza achiratidza kukanuka
nekuona mama zvikanzi, "anga ati
ndakarara ndiyani? Ko wativigirei nhai
Donny?" Vakadaro vachidongorera
mumota vakaona pasina chiripo. Vanhu
vese vanga ndabva navo wanted an
explanation so ndakati kuna Donny,
"akuudza kuti mai vafa ndiyani iwe?"
Asati apindura Firi akabva amhanyira
baba vacho iye Donny kwakuenda
kumasure kwangu kuri kusada kusimudza
mwana wake nekutya kusvibiswa.
"Iwe Mai Firi afa ndiyani!" Akadaro Donny
kune mukadzi wake aingobata bata
zvisipo. "Inini?" Vakashamisika nhema
Mai Firi zvekuti ndakangofunga kuti
mama pamwe ndivo vatuma Mai Firi kuti
vanyepe.

"Mai Firi wati ndafa nei ini?" Vakabvunza


mai vachienda kwaive zvikanzi, "handina
kumbodaro ini vanenge vana vanga
vachitambisa phone yangu. Iwe Firi
ndakati chii nekubata phone yangu?
Nhasi ndokurova chete!" Vakadaro
vachitsvaga kashamhu ndokubva
vazongotora mugoti waive padhuze.
Mapurisa aive atozembera mota achiona
firimi ini ndagara padoor regota raFungai
iye fungai aive azvivharira mumba kuri
kunyarira mabasa emhuri yake. Ini
ndakambotanga ndichanyara asi vanhu
vacho vaisagumirwa kubva kuna mai
kusvika kuvaroora vavo.

Ndakaseka ndega ndaona Mai Firi


vakupara para sadza pamugoti
kwakuchinanga kuna Firi zvikanzi
naDonny, "zimhanza remunhu unonyepa
zvinhu zvakadaro! Firi afona nevoice rako
achichema here? Firi asingagone kunyora
zita rake muvhu ozonyora kuti kuno
kwaita nhamo?" Vakaramba vakanyarara
Mai Firi, mai kwakuenda pavaive
vakabvuta mugoti uya kwakutanga kurova
Mai Firi. "Unondishuvidzira rufu iwe Mai
Firi?" Vaidaro vachirova musoro zvakapa
Firi kuridza mhere Mai Firi vaona kuti
hapana ari kuda kubata ndewo
kunyangwe mapurisa vakati ko
kudzosera. Ndakatozosimuka ndaona
kuti ndingaremadzirwa mai naMai Firi
nekuti vanga vasingachakwanise
kudzosera. Donny ndaitomuona kuti
matarisiro aaive akaita fight ndeekuti
regai vanzwanane masimba.

"Musandibata bamukuru!" Vakadaro


nehasha kwandiri ndikati, "zvakwana kani
mainini." Ndakatotaura zviri soft zvikanzi,
"zvakwana zvii ndokubatanidzirai siyanai
neni zvenyu kana muchiri kuda mazino
enyu." Ndakaseka nhamo serugare
ndione munhu akutondisunda zvekuda
kutanga fight neni ndokubva ndangovapa
chibhakera one chekuvaratidza kuti
murume ndiyani. Ndaive ndisingade
kuvarova asi kakundijairira kavakaita
ndiko kakazondituma kuvadzosera.

"Denny mukadzi haarohwe!" NdiChomuti


akadaro achiuya kuzondibata chero
ndanga ndatopedza navo. "Ko imi manga
muchitaura zvekufa manga mazviwanepi
Mai Firi?" Baba vakasvikawo pamba
vachidaro kutoshaya kuti vanga vaendepi
pamba pachiitwa matakanana.

"Baba ndanga ndichida kungoti Donny


ambodzoka kuno ationewo chokwadi two
months asina kutsika pano?" Donny
akavira nehasha anzwa reason yekunyepa
yacho akazongonyara Firi kuti arove mai
vake.

"Zvinowanikwa baba Firi ini ndatobva


kudoro ndichifara fani, usatamwe
zvichaita," baba vakadaro semunhu aita
majokes vanoseka vakaseka zvavo vangu
mai vakapinda nemoyo zvikanzi, "hoo hoo
ndaibata nyaya yako Donny. Wafutisira
face kuti ndiri mupenyu? Kutotsamwa kuti
ndichiri kufema!"

"Anga afadzwa nenhema," hameno


ndiyaniwo akadaidzira izvozvo pavanhu
vaive pamba. Vanhu vakatanga kuenda
one one kusvika vapera including
mapurisa.

"Uyu ari kusara here?" Akabvunza Tendai


zvikanzi naChomuti, "ehe asi anzi adzoke
mangwana." Mapurisa aenda ndakenda
kunogeza ndokutoenda mubedroom
mangu kunorara. Zuva ranga richangovira
asi ndaida kumbozoroora nekufunga kuti
Nyasha ndichanomutora sei. Ndaive
ndakafunga kuenda kunotaimira Nyasha
pakapinda mai mumba nedish
vachindigezesa maoko kuti ndidye. Sadza
raive ratoiswa mudheka nyama mukamwe
kadheka. Vaindibata zvakanaka kudarika
zvavaita baba muridzi wemusha
kutoshaya kuti ndaive ndakavaitirei
chaizvo. Taipindirana chaizvo
nemuchembere wangu asi ndaitoona kuti
tanga tave pedyo nekupesana because of
Nyasha.

"Idyai kani Nyati," vakadaro vaona ndati


nyobvo nyobvo. "Ndave bho mhai,"
ndakadaro ndichivhara sadza nemuriwo
zvikanzi, "kasi vakurova kukamba ikoko
here Denny? Zvokwadi Moyo anondiona
gore rino," vakadaro vachifugura t-shirt
yangu kuri kuda kuona kuti kumusana
hakuna kudhinda shamhu.

"Havana kundirova," ndakadaro


ndichidzikisa hembe zvikanzi, "chero
kumagadziko?" Ndisati ndapindura
ndakanzwa Denny achiseka akamira
padoor zvikanzi, "bvisa bhrugwa vaone
kuti vagutsikane kuti hauna kurohwa."

"Kwana iwe!" Ndakadaro achipinda


ndokubva ndaona shasha yakuvhura
madheka ndokuvhara ndikati, "taura
tinzwe."

"Ndotaurei zvangu nhai? Ko maiguru


vangu varipi vandisiri kuona?"
Akabvunza ndikatanga ndatarisa mai
ndokuzoti, "adzingwa namhai."
"Hezvo hezvo ndisiye zvangu,
ndamudzinga kana kuti baba vake ndivo
vauya vachimutora. Unoziva kuti baba
vaya havana nyadzi? Kusanyara kuuya
kuzotora mwana musikana pamurume.
Ihwo hunhu hwematicha nikisi.
Handipamhe kuti mwana angu aite
teacher futi. Vanhu ivavo havafungi mhani
shit kind apa kuomera." Vaive
vakutopinda Donny kabisira nekuti
aivewo teacher sababa vaNyasha.

"Ko zvekuomera kwaRabbi zvapinda


papi?" Akabvunza Donny zvikanzi,
"hunhu hwemateacher kuomera iwe
wabva Masvingo hauna kana kuvigira Firi
mabhisvo zvawo."
"Kuti mumudyire?" Donny said jokingly
though he meant it. "Wakaomera zvimwe
bvuma dai watosiya zveteaching waenda
kuchikorokoza kuna baba Tara uko."

"Mhai matanga, Donny ndiDonny anoita


zvinomuitira iye baba Tara wacho chii
chaakaita chinoonekwa kunze kwehura.
Mukadzi wake Mai Tara akapedzisa
kumutumira mari rini?" Ndakadaro
ndichisimuka zvikanzi, "anohura ari nani
pane anoroora maunderage ndikuudze."
Vakataura vachisekera svoto zvikanzi
naDonny, "iwe baba Tara ari kutumira asi
mistake anoisa mari panumber yamama,
Mai Tara havawane chinhu."

"Hameno ini ndakuenda kunoona


underage yangu," ndakataura
ndichitsvaga juzi zvikanzi
namuchembere, "Denny dzikama uri kuda
zvejere handi?" Handina kuzviterera
ndikabuda ndoenda kwaRabbi. Hwanga
hwatove husiku saka ndakatoona kuti
kuenda kunhanga kwake ndonomudana
nepaka triangular window ndizvo
zvaibuda sezvo anga asina phone. Phone
aive airamba achiti anotya kuonekwa
anayo naRabbi. Ndakanyahwaira but
ndakambomira ndanzwa sound yemunhu
aita kungati ari kuchema ndokuzonzwa
kukosora kosora.

"Vhura muromo uyo Nyasha," ndakanzwa


voice ravatete vake richidaro ndokubva
ndachizosvika pawindow ndokuona
mwana akabatirwana tete vachimumwisa
zvinhu zvandakaongoona ndega kuti
vanhu vari kubvisa nhumbu. Handina
kuzoda kuramba ndakamira pawindow
ndokubva ndati regai ndipinde mumba
macho ndokusvika ndichisunda door.

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/CC55KUCvYw
E7vTkkLHckaT

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 3

Dennis

Zvekuti Nyasha anga ari mudiki kana kuti


mwana wechikoro ndanga ndisina basa
nazvo semunhu aive anonokerwa
nekumukanda pakitchen. Musi waatizira
ndakatofonerwa naFungai kuti chaputika
kumba but muchembere vari kuvava saka
the following day pavakazofona vachiti
kumba hakuna kumira mushe ndiuye
ndakatodzoka kumba ndichiziva nyaya
yacho but pandakaona Rabbi (baba
vaNyasha) achienda papolice station
ndakanyumwa nyaya yacho ndokutonera
shamwari yangu yaive mupurisa ipapo
kuti indinzwirewo kuti Rabbi aitsvagei
ipapo. "Pakaipa wangu, ko unotizisa
mwana waRabbi chirudzii uchiziva kuti
iunderage? Izvezvi ari kupenga big time
zvekuti ukapusa inopedzisira yonzi rape."
Ndakatura mafemo ekupererwa though it
was what I expected.

"So ndoita sei bhururu?"


Ndakamubvunza nekuti ndiye aigona
kundibatsira semunhu aiziva mutemo.
"Ramba mwana," akadaro pasina
kudedera ndikati, "dzirimo?'

"Ndiri kutokutaurika," akataura achiuya


kumota kwangu ndokubva ndakata phone
kuti tingotaura in person. "Unorwara here
Chomuti?" Ndakabvunza apinda mumota
zvikanzi, "ndoziva kuti mwana unomuda
huye handisi kuti murambe zvachose but
kwenguva pfupi pfupi unoziva kuti Rabbi
ane maconnection hobho saka ukada
kuzviidza wakangwara unofira mujere
iwe."

"Ndikamuramba zvobatsirei manje? Ijere


shoma kuzoona kaNyasha kachitambura
nenhumbu yangu here?" Ndakabvunza
ndatove nowhere zvikanzi, "iwe
chimboterera ini bhururu wako. Izvezvi
uchienda kumba ukabvunzwa kuti
wakarara naNyasha ramba nekuti
ukangobvuma chete jere rakakumirira
chikomana. Iwe ukaramba kuti wakarara
naye nyaya inonetsa ini kunowo ndoita
kuti zvidhakwe nyaya yotanga kutongwa
kwasabhuku. Kwasabhuku iwe wobvuma
zvako mwana woti waitya jere. Obvious
masabhuku haadi nyaya dzinoendeswa
kumatare edzimhosva kuti vagonzi
vakundikana. Iwewo kuti unyaradze
Rabbi, wototsvaga mari yekuroora, huh
zvagara mombe unadzoka. Wotongovhara
Rabbi zvinhu zvotonaka paya. Iwe
usaware mapurisa ari pano anokuziva
Denny."

Ndakaenda kumba ndokunoita


sezvandaive ndaudzwa naChomuti asi
ndakapotsa padiki kudzoka kumasure
pakafenda Nyasha nenzara worse
ndakunzwa kuti haana kudya kubva
makuseni. Ndaiziva kuti Nyasha aive very
selective ende zvanga zvazosangana
navamwene vake vaisamufarira saka
aitofira izvozvo. Nekufamba kwenguva
zvaizopera hazvo zvekumuvenga zvamai
vangu nekuti ndizvo zvavaiita pavakadzi
vaDione naDonny. After all zvanga
zvatojairika kana kuti yanga yatove
system yakapinda vanhu kuti vamwene
nemurora vanofanira kusawirirana for no
reason.

Sekutaura kwaChomuti ndakaona


mapurisa osvika pamba ari four
ndikatoziva kuti ndini ndavingwa. Ndisati
ndaenda panze phone yangu yakapinda
call from new number ndokubva
ndadavira ndinzwe, "nhai baba Ishe
unodirei kundisekesa nevanhu muraini
nekutora kamwana kaduku kudaro kuita
mukadzi? Hausvode here nhai Dennis?"
Ndakanzwa riri voice raMai Ishe ndikati,
"chero ukasekwa zvinei neni?"

"Ko wakadii hako kundiudza kuti unoda


mukadzi? Ndingadai ndakakutsvagira ari
nani pana Nyasha," akadaro achiseka and
i could hear voices of people laughing
ndikaziva kuti kwaive kuda kuonererwa
nevanhu vaive navo ndokuti regai
ndimubvise manyemwe edhongi iwayo,
"you know what? Pwere iyoyo itori far
much better panewe Mai Ishe."

"Nani pachii?" Akabvunza ndikati,


"pazvese especially mubedroom waiita
kunge munhu aitandadza iwe." Yakakatwa
phone ndikaseka ndega ndokuzotarisa
panze paive pakupopotedzana vanhu
ndikademba chandaive ndotaurisira
naMai Ishe nekuti mama vanga vatoisa
tsoro yese mudondo nekubvuma kuti
ndakarara naNyasha worse kuzoti
vakambondiudza kuti Nyasha mwana
mudiki kwandiri, kutozowedzera mhosva
nekuti vanoda kunomudzosera kumba
kwavo. Ndakaseka nhamo serugare
ndichibuda panze.

Mapurisa akaenda neni ndikacheuka


ndokuona Rabbi abata mwana wake
ruoko achiti, "hande kumba." Ndakaona
zviri better kuti amboenda hake kumba
kwavo sezvo ini ndaive ndakuenda
kukamba nekuti aisapagara paMhangu
namai vangu ndisipo zvakunzi ndiye
andiendesa kujere.
"Mwana wangu Denny kani!"
Ndakavhundutswa nemhere yamama
tikacheuka tese nemapurisa tichida kuona
kuti chii. "Chokwadi ndozviuraya
mukasunga mwana wangu!" Vaidaro
vachiumburuka vari pasi. Ini ndaive
ndovaziva saka hazvina kunyanya
kundishamisa. "Tendai dai wasara pamba
just in case Mai Mhangu vakada kuita
something," akadaro Chomuti aona
mastaira amai vangu.

"Petrol iripi ndizvidire izvezvi! Denny


wangu akaenda kujere ndosara naniko?"
Vakataura vakusimuka vakananga
kukitchen vakanotora paraffin
vakazvidhudhudzira ndipo
pavakazomhanya Tendai umwe
wemapurisa kwavari. "Zviri nani ndife
hangu, Ishe muzukuru ndivigire machisa
kani baba vako voenda avo!" Vakadaro
vachingochema vanhu vakati
vokoromoka vachiuya kuzoona chatora
nzvimbo.

"Vakomana handei?" Ndakazodaro


kunana Chomuti avo vaive vakutonakirwa
nekuona Mai Denny vachiita zviratidzo.
Kaisava kekutanga vachiti vanozviuraya.
Vaiti vakanetsana namudhara votora
zvigaba zvemapiritsi eBP avo votanga
kuti, "zviri nani ndimwe ndife hangu pane
kushungurudzwa pano." Umwe musi
pavaive vapedzesera kuzviita vaive
vanyimwa mari nemukadzi waDonny.
Donny aishandira kuMasvingo saka
akatumira mukadzi wake mari ivo Mai Firi
kwakutadza kupa mama kana cent
zvikanzi, "unoda kudya mari yemwana
wangu wandakaendesa kuchikoro ndega
iwe uchitamba mahumbwe wozongouya
pano kuzodya?" Mai Firi vacho vakati
vaive nenharo kwakuti, "makaita basa
nekumuendesa kuchikoro mwana wenyu
iyeye murume wangu imi idyai yemurume
wenyu handi munaye?" Vangu Mai vakati
wakajaidzwa kwakuzvivharira mumba
yekubikira kwakuti, "ukasandipa mari
yemwana wangu ndiri kuzvipisira muno
ugozoudza vanhu kuti ndakafa nei?" Tese
takafunga kuti kutamba kwakuona chiutsi
chakupwititika mudenga
ndokuzonomhanya kuvhura door, door
racho ringavhurika. Vakati voridza mhere
Mai Denny hanzi, "mukadzi waDonny
wondiurauya kani vanhu woye!"
Ndakazopanya door kwakuona munhu
atsva musana wese nemaoko
kwakutozomhanya navo kuchipatara mari
yenoise ikashanda kuvarapa asi vari
kuchipatara vakanditi, "Denny mwanangu
ukaona ndoda kuzviuraya tora shamhu
undirove handizvipamhe futi."

Ipapo ndakati shasha yadzidza asi kuuya


kwaNyasha kwakaita kuti madrama
atange. Papolice station ndakatosvika
ndikagamuchirwa nemufaro, hapana
mupurisa aisandiziva nekuti mwedzi
waive wapfuura ndaive ndamboshandapo
kwenguva refu when I was renovating the
police station with my team.

"Ko nhai Chomuti ndichatanga


kubvunzurudzwa nguvai?"
Ndakamubvunza ndaona ndangogariswa
pabench pasina kana ari kuuya
kuzobvunza nyaya dzangu. "Don't worry
bhururu munhu wandasiya kumba
kwenyu ndiye ane dzungu rese ndosaka
ndatoti asare aya maface ako ari pano
hapana zvaunoitwa."

Ndaizotyei pakadaro ndakatozembera


madziro ndokutora phone yangu
ndikatanga kuona maphoto aNyasha
ndokuzobva ndareceiver call from Donny.

"Mukoma ndanzwa kuti mai vashaya


zvafamba sei?" Akananga panyaya yake
straight ndikati, "vashaya?" Ndakakanuka
ndokusimuka zvikanzi, "hongu
ndatofonerwa naMai Firi hanzi mai
vazvipisa neparaffin imi matizisa kudii
wee. Atosender maphoto acho regai
muone haasi kutarisika ndanga ndichitoti
muri kuzviziva ini." Ndakashaya kana
comment ndabva paphone maphoto
ndokupinda pawhatsApp ndikashaya
simba rekumavhura ndokungoti, "Tendai
atadza kubatawo mai vangu here
vakomana imi!"

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/JO7If2GkPI4EF
vHtiHODER

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 5

Nyasha

Ndakazama kubatanidza zvaiitika


ndikashaya kuti zvaifamba sei nekuti
baba vanga vambondisimudzira demo
vachiti ndibve pamba pavo ndivo vanga
vouya kuzonditorazve. "Baba
musandirove!" Ndakadaro tabva
paruvanzwe rwaMai Denny ndokubva
varamba vakanyarara zvakawedzera kuti
nditye ndikati, "ndakuda kudzokera ini."
Kwaingove kutaura kwemunhu ane
muromo nekuti kwekudzokera ndiko
kwanga ndisina.

"Kumba wakashayei nhai Nhasha?"


Vakabvunza nevoice rakazara shungu
ndokungovapindura kuti, "hapana baba,"
asi mumoyo muchiti, "kumba ndakashaya
Denny chete."

"Aihwa zviripo zvawakashaya


mwanangu," vakadaro ndikaramba
ndakanyarara pave paya ndokuzoti,
"hamuzive zvenyu zvakaitika baba."
Nekuda kuziva zvakaitika takafambisa
kuenda kumba nekuti vaisada kuti
titaurire munzira. Tichisvika kumba
ndakaona tete vakandimirira sandi
kundipopotera ikoko kusvika pakuti,
"zvagara mwana wehure ihure hakuna
kwazvaienda."

"Kana muri sure kuti mwana wehure ihure


siyanai neni. Musade kundifananidza
namama nekuti takasiyana and mai vangu
havana one day ravakati ndiite
zvevarume. Zvese izvi zvandinoita ndezve
musoro wangu musade kupinza mai
vangu pavasingakwane nekuti imiwo
satete ndeupi musi wamakambogara neni
mukandiraira. Musade kuti
ndokunyadzisai nekuti manga magara
musina basa neni in fact hamuna
kumbobvira mandigamuchira imi. Kana
muchida zvekunyara nyarirai Prim kwete
ini." Hasha dzekurambwa kumba kwana
Denny dzanga dzave kuperera pana tete.

"Kunyarira Prim kuti adii?


Wakambomuona achimisidzana nevanhu
vakuru zvaunoita? Hazvishamise kuti
nezuva rimwe watopindura vamwene,"
ndakaseka zvekupererwa ndokuzoti regai
ndivatokonye more tete nguva
dzichifamba. "Prim ndiyeka hure akatizira
murume wemunhu."

"Waida kuti atizire murume wembwa


here?" Vakandinyenamira vachidaro
ndikati, "saka ndikoko tese tiri mahure."
Ipapo mama vakabva vasvika vachibva
kuhuni vakakanda svinga ravo pamberi
pangu ndikatoshaya kuti kutsvene kana
kuti vashamiswa nekudzoka kwangu.
"Ko uyu atodzoka?" Vakabvunza
vachibata muchiuno zvikanzi natete,
"mweya yemadzinza isingade marriage
nemhepo dzemadzitete akafa asina
kuroorwa dzaramba kuti agare mumba."

"Hamurevi nhema ipapo handiti ndimi


amwe emadzitete acho?" Ndakati
ndivarangaridze kuti naivo vaivewo tete
vangu uye vanga vasina kuroorwa kana
kutombotizira sezvandaive ndaita. Baba
vachibva kunogeza takabva tadanwa tese
mukitchen zvikanzi, "taura nyaya yako
tinzwe kuti zvakafamba sei." Maziso
evanhu vese vaive mumba akangoti
nanga pandiri ndokuzongogadzirisa
pahuro ndichiti, "ini ndanga ndisati
ndakuda zvekuroora henyu baba asi kuti
Denny ndiye akanditsotsa."
Ndakatsikitsira pasi nekuti zvandaida
kutaura zvaitonyadzisa worse mumba
muna baba. It was true Denny anga
anditsotsa.

"Akakutsotsa chirudzii?" Vakabvunza


mainini ndikati, "aigara achiti anoda
kurara neni ndichiramba saka last month
paya akati ndimuperekedze kwaNyika
achiti ari kuona munhu wecontract yake
but then takamushaya apa mvura
yakatanga kunaya ndokubva abooker
lodge akati tofana kumumirira imomo tiri
safe. Tapinda mulodge muya akabva
atanga kutaura nyaya yake yekuti tirare
tese ndikaramba futi akabva atsamwa
achiti handimude ndoda
kungomutambisira nguva ndikatoti
ndomuda zvemachokwadi ndipo
paakazobvunza kuti kana ndichimuda sei
ndichiramba kurara naye ndikamuudza
kuti ndichiri virgin akati ndinonyepa.
Ndakatomuudza kuti ndairevesa asi iye
akati anoziva sei asina kuona saka
pakuda kuzoona ipapo ndipo
pandakazorara naye."

Ndakazvidemba wani ndapedza kutaura


ndanyatsoona kuti ndaratidza kupusa.
"Rakapusa iri!" Vakadaro baba
vachindijunga junga musoro
ndokungopukuta misodzi yaiyerera
ndakanyarara. "Waunochemera ndiyani
manje iwe wakaita zvechihure wega?"
Vakabvunza nehasha mama zvikanzi
nababa, "hure ndiyaniko iwe? Unoti
anoenda nepi mwana achingonzi hure
everyday?" Vakataura vachibuda mumba
zvikanzi natete, "saka mati todii?"

"Hapana asi uko haadzokere?" I felt a


little relieved baba pavakadaro mama
vachizoti, "izvozvo tazvinzwa asi anoita
sei nedumbu rake iri?"

"Handiti kwasara mwedzi mitatu kuti June


asvike anoramba achienda kuchikoro
onyora dumbu rake rinenge risati rooneka
kuchikoro," vakadaro ndokutorova pasi.
Zvichingobva naivo vaive vandirambidza
kunyora form four gore raive rapfuura
vachiti handina chandinoziva.
Munongoziva kurwadza kunoita kuve
mwana wateacher that too vaidzidzisa
pachikoro pandaidzidza. Vakatoti havadi
zvekutambisirwa mari yavo ndozonyora
ndaibva pandaive ndave ready pacho
Denny akati munonyepa imi. Ndakabuda
mukitchen ndichienda kunogeza
semunhu anga aswera nayo tsvina
pandakadzoka kukitchen ndikanzwa
ndichinyeiwamo.

"Aihwa tete hanzvadzi yenyu


yakundikonewa apa. Kugamuchira
kwandakaita Nyasha yatove mhosva
ikozvino ndonzi ndichengete kanhumbu
aka. Mari yese yepay mukada kuzvitarisa
yaiperera pana Nyasha zvichingonzi
Nyasha this Nyasha that pondoti
ndizorore Nyasha wacho akuenda obva
odzoka nedumbu fungai kuti kana Denny
aramba nhumbu yacho tisu futi takuona
kuti kamwana ikako kadyei and manzwa
muromo wavo wekuti Nyasha adzokere
kuchikoro? Akanyora akapasa handi
vakati anoenda kunursing anenge
akusara nemwana wake ndiyani? Ini
zvekuripiswa ngozi handide chero iye
akarovera Jesu."

"Uchizvinyanya muroora ndiwe


waimusekerera Nyasha naDenny pano
uchidya mabhisvo wega," vakadaro tete
ndikati, "ndaitika zviende manje
ndezvipi?"

"ZvaNyasha nababa vake hazvipindirwe


muroora toswera tarohwa pano,"
vakadaro tete ndikatoona kuti nyaya
dzavo hadzina pundutso ndokudzokera
kunhanga kwangu kunorongedza
zvechikoro sezvo yanga yave back to
school. I was so sure kuti ndatomboitwa
nyaya mwedzi wese kusvika tivhare.
Manheru ndakavigirwa sadza nemukaka
namama vachifara chaizvo zvekuti dai
ndisina kunzwa vachindinyeya
handaimbonyumwa asi apa
ndakangofeeler kuti something wrong
ndokubva ndaramba sadza
ndikanokwatisa nyimo ndikadya. Nguva
dzekurara shasha ikauya kuroom kwangu
yakatungamidzana natete nambuya
vepanext vandaitotya nekungonzwa kuti
vanoroya and mama chaivo ndivo vamwe
vaindiudza kuti vanoroya.

"Manheru?" Ndakavakwazisa vakadavira


kwakugara pasi vachibata mabook nhema
sevanoverenga nekutya kubirwa njere
ndikatotora mabook ndikamaisa mubag.
Baba vaigara vachiti ndine njere shoma
so imagine ndaizosara nei kana mbuya
vaGugu vaba shoma dzandaive nadzo?

"Imwa mvura iyi muzukuru," vakadaro


mbuya vaGugu ndikatarisa chigubhu
chacho ndokuona kusina mvura yakaita
kagreenish. "Water is colourless," ndizvo
zvandaiziva since grade one. "Handisi
kunzwa nyota," ndakapindura ndichiisa
chigubhu pasi zvikanzi, "ingonwa chete
iwe." Yakadaro mbuya iya ndikatarisa
mama neziso rekuti, "explain what's going
on."

"Uyu mushonga wekuti dumbu rako


risakasire kukura Nyasha tiri kuitira iwe
izvi handi uri kudzokera kuchikoro,"
vakadaro mama ndikasekera mudumbu
ndichiti mai ava vanondiona sendakapusa
here? Maybe ndaive ndakapusa asi
kuterera conversation yavo natete ndiko
kwakandipeputsa nekuti ndaive
ndakutofunga kuti vave kundida nemoyo
wese. Dai aive mazuva apfuura ndaigona
kutodhudhudzira mushonga uya
ndakanyarara ndichiti ndawanirwa
solution. Vaona kuti masamba akachinja
vakabva vaita zvekundimanikidza kunwa
mushonga uya kuti ndidane baba
mushonga waibva wapinda mumuromo
ndikatoona kuti better kutoshinga
kurumanisa mazino kusvika vaneta pane
kubviswa nhumbu ndakatarisa. Vanga
vazobuda pachena kuti vaida kubvisa
nhumbu of which I was totally against it.

Denny ndiye akazoita mununuri wangu


asvika vanhu vachindiroya ndakasvinura.
Paakapinda akaita zvekugweura door
saka baba vakazviwa kwakuchiuyawo.

"Iwe uri kudei pano?" Vakabvunza


nehasha baba iye Denny kwakuburitsa
phone yake akatora photo ndichiri
ndakapiniwa ndokuzoti, "imi moenda
kumapurisa kunotaura kuti ndakarara
neunderage ini ndoenda kunotaura kuti
manga muchida kubvisa nhumbu tione
achagara mujere makore akawanda
ndiyani." Baba vanga vasingazive
chaitora nzvimbo saka vakatanga
kubvunza mhosva yese ikasarira
kunamama.

"Are you okay babe?" Akabvunza Denny


tave pedu tega vamwe vachipopotedzana.
"Don't call me baby wati hatina
kumborara tese ndiri kukupa nhumbu isiri
yako siyana neni."

"Unodhuva kumhanya Nyasha,"akataura


achizembera madziro ndikati, "rega
ndimhanye ko ndinenge ndichishandisa
tsoka dzako here?"

"Oh watotanga so rough," handina


kumupindura adaro ndikati, "wavingei
pano?"

"Ndauya kuzokutora," akapindura


achitarisa kwaive nababa ndikati,
"unopenga chete iwe."

"Zvakawanda totaura tave kumba babe


hande," akataura achidhidhonzera kurima
ndokuzoti, "ukada kuomesa kadzoro kako
ndoita musengabere izvezvi.
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/Bub8rtaRXon7
kvpKbPJxCS

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 6
Nyasha

Paakada kundisimudza ndakamhanyira


kuna baba nekuti ndaisada kudzokera
kumba kwandaive ndarambwa and iye
aizotozviona seakanyanya kuti
paanondida onditora asingachade
ondisiya. "Enda mumba Nyasha,"
vakandidaro baba ndokubva
ndachingopinda muroom mangu
nekutokiya door. Ndakavhunduka
ndagarira munhu pabed and iye akabva
andivhara muromo kuti ndisaridze mhere.
Ndakaita zvekuruma maoko ake ndanzwa
kuti ndiDenny.

"Problem yako ndeyei chaizvo?"


Ndakabvunza ndiri serious zvikanzi,
"handina kana problem asi iwe ndiwe
wakuda kuomesa musoro pasina. Ndakuti
hande kumba ukaramba saka ini
ndakugara pano hangu."

"Kuenda kumba kwenyu


kwawakandidzinga kunodii?"
Ndakabvunza ndichimudhonza kuti abve
pabed zvikanzi, "ko kumbomira unzwe
nyaya yangu nhai Mamoyo?"

"Handisi Mamoyo ndonzi Nyasha,"


ndakadaro akati, "horaiti Nyasha ndanga
ndichiti hande kumba ndinokuudza
zvakaitika."

"Kana une zvaunoda kutaura taura muno


nekuti ukangoona mai vako njere dzako
dzinobva dzaenda kuleave," ndakadaro
ndichigara paside ndokubva azotanga
kutaura nyaya yake yaive too good to be
true. "Believe it or not babe ndokuda,"
akataura achindirarisa pachest pake
ndikati, "asi mai vako vari pamberi handiti
kaa?"

"Ko tikambotaura nyaya dzedu pasina


kupinza mama?" Akabvunza voice
rachinja ndikati, "we can't avoid that
nekuti ndivo vandichanogara navo nguva
zhinji. Zviri nani ukavaka Denny togara
pedu tega."

"Uri mwana wasabhuku?" Akabvunza


ndikashaya kuti zvabvepi ndokuti, "nope."

"Baba vako ndiishe wedunhu rino?"


Akabvunza!! ndakadzungudza musoro
ndokubva azoti, "ini ndiri hama
yasabhuku?"

"Huh iwe taura nyaya yako chete,"


ndakadaro ndasvotwa nekungobvunzwa
zvisina basa zvikanzi, "ndenge ndichida
kuti unzwisiseka. Hapana munhu
anopihwa land ka2 muno. Land
yandakapihwa ndiyo yandakavaka naMai
Ishe and iwe unoziva kuti
zvakatovharana."

"Izvozvo ndozviziva but handi wakapihwa


minda yakawanda imwe yepaseri pegomo
kozoti kuzasi nekumba kwaMai Ishe
tongotsvaga kumwe kwekuvaka nhai."
Ndakadaro ndatotanga kucalculator
makuriro eminda yaDenny.
"Unoda kutanga hondo naMai Ishe
handiti? Kana kuti wakuda zvebarika?"
Pandakanzwa nyaya dzacho
dzakurerekera kubarika ndikati, "fine then
but tinosvika kupi tichinetsana namai
vako and kana usingade zvekuvaka
tichagara pamba paMai Denny kusvika
Jesu adzoka?"

"Ari kudzoka rini Jesu?" He asked


jokingly ndikati, "chimbomira izvozvo
titaure zvine musoro."

"Nyasha chimbomira kundiona semwana


mudiki handiti? I know kuti iwe naMai
Matadza kupindirana hamupindirane.
Ndinoita plan manje manje chako
kuvimba neni wosiira zvese mumaoko
angu sababa," akadaro achigadzirisa
pillow ndikati, "sababa vani?"

"Baba vaFuture," akataura achibata


dumbu rangu ndikamuka fast ndichiti,
"kana zviri izvo zvamakaronga naMai
vako kuti mwana wangu anonzi future
mainyeperana," ndakadaro nekuti
ndaiziva Mai Denny. Vazukuru vavo vese
ndivo vaive vapa mazita ana Firimoni,
Tarara Isheanesu etc.

"Vakadzi mune drama ndazobvuma


manje. Taizoronga zvekupa mwana zita
chirudzii ivo vasati vabvuma nhumbu
yacho?" Akaseka apedza kudaro
ndikamubata muromo nekuti anga atove
comfortable kukanganwa kuti panze pane
vanhu. Iyo noise yepanze yanga yati
dzikirei.

"So takuita sei?" Ndakabvunza Denny


zvikanzi, "iwe wotombosara pano handi
mudhara wako haana problem newe."
Ndakaridza tsamwa yekupererwa adaro
nekuti anga atochinja pfungwa. "Hona
Nyasha baba vako vakandisungisa and
kuti udzoke kumba izvezvi it's impossible
nyaya yacho inomuka futi so apa ndanga
ndichida kudzokera kupolice
ndombonoona Chomuti ndonzwa kuti
zviri sei. After some days ndotuma
munyai otaura nababa vako hasha
dzaserera iwe wozouya kumba plus
remember ndine contact yekuvaka
yandisati ndapedza apa ndofanira
kupedza weekend."
"Amazing Dennis," ndakadaro
ndichimuuchirira maoko zvikanzi, "ko chii
futi?'

"So pawabva kumba kwenyu wanga usina


kuzvifunga and pawanga uchida kundiita
musenga bere wanga uchida
kuzondiendesepi?" Ndakabvunza
ndakamutarisa zvikanzi, "ndanga ndisati
ndafunga zvakanaka plus ndanga
ndichazonogara newe kwaNyika tichiona
way forward." Our discussion went on
and on kusvika ndazobatwa nehope and
the next morning pandakamuka Denny
anga atoenda.

Mudhara vanga vatoenda kuchikoro ini


ndasara namama vaive vakanditsamwira
sekuti ndanga ndavatuma kuti vandibvise
nhumbu. Ini ndini ndaitofanira
kutotsamwa. Sezvineiwo ndakasiyana
navo nekuziva kuti havana zvavaindiita
pamba pababa vangu. After two days
baba vaDenny vakauya pamba kuzoona
mudhara wangu ndikatoziva kuti ndini
discussion. Nyaya yekupolice yanga
yatoshaya value zvichikonzerwa
necorruption yemapurisa edu. Sekutaura
kwaDenny nyaya yakazoperera kudare
kwasabhuku uko Denny akanyatsobvuma
zvake kuti nhumbu ndeyake chero mai
vake vaida kumurambira vakazonyarara
vaona kuti vangatozviita benzi. Padare
pakatenderwana kuti Denny achingoroora
ndoenda kumba kwavo izvo zvakasvota
vamwene vakabva dare risina kupera.

Zvekupfeka uniform zvanga zvatovharana


chero ndaizongononyora. Denny aive ati
achandibatsira asi ndaiziva kuti anga ari
mastatement chero anga akamboita
teaching. Anga akaita teaching kare
nekushaya basa ndipo paakazotanga
zvebuilding so tell me kuti munhu anga
akaguma kudzidzisa 8 years back that too
kuattachment ozondidzidzisa.

"Wahwinhaka?" Ndakavhunduka
ndanzwa voice raMai Denny kumasure
kwangu ndokucheuka ndichiti, "maswera
sei mama?" Vakangodzungudza musoro
kwakupfuurira mberi ndikasara
ndichitaura ndega kuti, "ndanga ndiri
kumasports here kunohwinhiwa?"

Within two weeks Denny akauya


kuzobvisa though asina kupedza
semunhu anga ane mombe shoma
zvaisazoita kuti danga risare risina
chinhu. Baba vake vaive nemombe
dzakawanda asi Mai Denny vakagara
vabuda pachena musi waitwa dare kuti
kudanga ravo hakubatwe kana mhuri asi
zvakaoma kudaro ndakangoenda pamba
pavo ndikatopembererwa kwazvo the
following morning ndikatotamba chiroora
though vamwene didn't participate
saying, "BP yangu yakakwira ndoda
kuzorora." For sure yanga yakakwira
nekuti makumbo avo anga akatozvimba.
Ava masikati ndakatovabikira chikafu kuti
vawane kudya vamwe mapiritsi.

"Ndiyaniko abika chikafu akuda


kundiuraya?" Vakadaro vachibva
mubedroom mavo vakananga kutoilet
ndikati mafunnies aya atanga regai
ndisiye zvakadaro asi pandakaona munhu
arovera kutoilet ndakangoti regai
ndinomutarisa ndokuona chembere
ichirutsa. Nekuda kwekuti ndini ndanga
ndabika nekuvapakurira chikafu
ndikavavigira hana yakatanga kurova
ndichitya kuti chembere iyi yakaona
chayaiona ndini ndaipihwa mhosva. Luck
enough murume wavo anga aripo saka
ndakadana baba ndokubva vavatora
tikabatsirana kuvaisa mungoro kuti tiende
kuchipatara navo sezvo mota yaDenny
yanga isipo pamwe chete nemuridzi
wayo. Denny takazotomufonera tasvika
kuchipatara though akasvika kuchipatara
vave out of danger in ndave in hot soup
sezvo yanga yanzi ifood poison. Kushata
kwazvo pandaive ndakabika vanhu vese
vanga vasipo pamba pangori nababa avo
vaitoveza mipini yemapadza. Denny anga
asina kana kutaura neni achingonyaradza
mai vake vaiti, "ndakambokuudza Denny
nezvemukadzi wako hona nhasi apotsa
andiuraya." Ndaingozvichemera
ndakazembera madziro pasina kana aiti
Mamoyo ndakatozopatika mota yaDenny
yakumutswa kudzokera kumba.
Ndakaedza kumhanya ndichida kuimisa
but it was too late ndokuzototimba
netsoka kusvika kumba kuma7pm. Imbwa
dzakambondihukura asi dzakazokasira
kunyarara dzaona kuti ndiMamoyo.
Ndakafamba zvishoma shoma ndichienda
kukitchen ndokugogodza ndikanzwa
Fungai achiti, "ndiyani?"

"NdiMamoyo," ndakapindura ndichida


kuvhura door zvikanzi nababa, "dzokerai
kwamabva VaMamoyo."

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/JO7If2GkPI4EF
vHtiHODER

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 7
Nyasha

Ndakaseka nechemumoyo ndichiti, "baba


vakakwana here? Ndiri mukadzi wavo
wavanodzinga?" Ndakabata door
ndichida kuvhura wanei rakakiiwa
nemukati. "Denny!" Ndakati ndidade
murume zvikanzi naiye, "Mamoyo handide
zvekutaura newe." Adaro ndakagara
padoor ndichiti pane achavhura asi
hapana ndikati, "ko kuenda kubedroom
kwedu?" Ndakaenda ndokuona
kwakavharwa ndokuzviudza kuti haisi
pressure ndogara kusvika vabva
kukitchen. Havana kuzotora nguva kuti
vabve kukitchen ndikaona avo vamwene
vangu vachikamhinha ndikaridza tsamwa.

"Iwe uchiri pano?" Akabvunza Denny


asvika pandiri ndokubva ndasimuka
ndichiri ndipinde mumba naye asi
akakasira kubata munyati wacho
ndokutopinda achikiya. Ndatoona kuti
pano pakashata ndakafunga kuenda
kwairara vazukuru vaMai Denny asi
pandakaona chembere yakanangako
ndakazvidzikamira ndichiti ndozoendako
vabva. Vakati nyaa imomo kunze
kukatanga kuita kamhepo nekachando
kekuda kunaya ndipo
pandakatozorangarira kuti Rabbi anga
achiri mupenyu uye achiri kundida saka
zvaive nani kumhanya kumba kwedu
kusati kwanaya. Zverima handina
kunyanya kuzvitya nekuti chinangwa
chaive chekuda kusvika kumba.
Ndichangodarika pagoronga ndakanzwa
munhu ainditevera ndikatanga kumhanya
ndafunga zvipoko. Pandakatanga
kumhanya munhu uya aive kumasure
kwangu akabva awedzera speed
zvakandipa kutya kukuru.

"Iwe Mamoyo mira mhani!" Ndakazomira


ndanzwa voice rake richidaro, anga ari
Denny aida kundipinza fear. Ndakamira
ndichikoka hasha zvekuti paakasvika
achindibvunza kuti ndaiendepi husiku
ihwohwo ndakatanga ndamurova
chibhakera. "Don't be dramatic Mamoyo,"
akadaro achindibata maoko ndikati, "inini
manje ndave kuita zvemadrama?"
Ndakabvunza voice riri pamusoro. "Ehe
saka apa uri kuti uri kuendepi?"
Kutobvunza akatsamwa as if aive asiriye
andisiya kuchipatara akandivharira panze.
Paakati hande kumba handina kuzoita
nharo sezvo mvura yanga yakutanga
kupfunha pfunha zvekuti takatosvika
kumba tanyorova.

"Ngatitange tageza shar," akadaro Denny


tichipinda mubedroom ndikati, "nemvura
inotonhora kakanganwa zvako."

"Vamwe vanhu matyiro amunoita mvura


akaoma," akadaro achindibetsera kubvisa
dress. "Kuri kutonhora Denny remember
ndini ndakakudzidzisa kugeza,"
ndakamudaro akaoma nekuseka
ndokuzoti, "ndasiya ndaisa mvura pamoto
nekuti ndaziva kuti unonetsa." Ndakatora
zambia ndikamonera iye achienda
kunotora mvura tikazongosangana
kubathroom. Anga ave manheru so we
didn't mind getting romantic and
kaweather kacho kainyatsoita. Tisu uyo
mubathroom tichigezesana ndokuzonzwa
door rakunokwa.

"Mune munhu," Denny ndiye akadavira


zvikanzi, "uri kuitei?" Vanga vari mai
vake. "Ndiri kugeza mhai," akadaro
ndokubva vabata handle yedoor nekuti
takatoona nemukati kuti yabatwa. "Unani
imomo?" Vakataura vachida kutovhura
door zvakandirovesa nehana iye Denny
akatomhanyira kutora zambia rangu kuti
amonere mai vake vasati vamuonerera
sezvo vaitonzwikwa kuti vaida kupinda.
"Ndina Mamoyo mama," akapindura
nezwi rainzwika kusvotwa. Ivo
kuzongonzwa kuti Mamoyo vakabva
vavhura door nekupinda ndikahwanda
kuseri kwaDenny sezvo ndaive
ndakashama. Touch yephone yaDenny
ndiyo yaive yakaita kuti bathroom yese iti
bhaa nelight saka zvekuonererwa naMai
Denny ndaisada.

"Nhai mhai hunii hwamakuita?"


Akabvunza nehasha Denny zvikanzi,
"huni hwepi hwaunoda kundiudza iwe
uchigeza nekamhondi aka."

"Mhai musada kundiitisa ngozi!" Akadaro


akufemereka nehasha ivo ndokudududza
vaona kuti Nyati yavo yatsamwa.
Vakabuda havo asi mweya weromance
wakabva wabuda kusvika Denny atogarira
pamusoro pebucket raive nemvura
akabata musoro. "Ini handisati ndapedza
kugezaka," ndakadaro ndichimubata
bendekete akaita kakuvhunduka
ndokusimuka akanyarara ndakapedza
kugeza akangochiller ndokuzopfeka short
rake achindipa zambia rangu.
Takamhanya kubedroom kwedu tikasvika
shasha yakatimirira mubedroom medu
yakati goo pabed.

"Mama tiri kuda kuchinja," ndakadaro


ndatoona kuti mbuya ingatoenderera
zvikanzi, "chinjai marambidzwa nani?"

"Murimo here Denny anokurura sei?"


Ndakabvunza Denny wacho angori
serious ari pawardrobe achitsvaga
hembe. "Chii chinoshamisa pana Denny
munhu wandakakura ndichigezesa?"
Chero zvainzi vamwene ndiMai vangu
vamwene vainzwisa hasha. Ndainzwa
kuda kuvadzipa pahuro. Naiyo poison
chayanga yaregera kuvauraya
ndakachishaya ini. Zvaitove nani
kunetswa nemapurisa zvichinzi ndauraya
munhu pane kuonererwa murume ndiripo.

"Simukai!" I smiled ndaona Denny


achibata mai vake ruoko achivasimudza
ndokubva avamanikidza kubuda
ndokutokiya door vabuda. Akasara
akatsamwa zvekusada kutaura Denny but
i was so proud of him that I offered him a
massage. For the first time anga aisa mai
vake panzvimbo yavo chaiyo chaiyo.
"Thanks," akadaro ave calm akurara
pamakumbo pangu. "Chii chanyatsoitika
masikati babe?" Akabvunza nyaya yanga
ndakuti yapera ndikamuudza zvaive
zvaitika chaizvo.

"Hapana ambopinda mukitchen uchibika


Mamo?" Ndakadzungudza musoro adaro
ndokuzovhurisa maziso ndarangarira kuti
baba vake Denny ndaive ndambovasiya
mukitchen vega after ndatopakura
chikafu. Vaive vandituma panze
kunovatemhera mhiripiri ndokubuda
kwandakaita mukitchen ndokuzodzoka
ndopa Mai Denny sadza kubedroom
kwavo. "Baba havangamboise mushonga
noo." Ndakazviudza kudaro ndokutoona
zviri better kusaudza Denny nezvababa
vake nekuti aizoona sendaivapumha
huroyi.

"Ko baba vanga varipi that time?" He


asked and I replied, "mukitchen." Ndanga
ndisingade kuzvitaura asi sezvo anga
abvunza handina kuda kumunyepera.

"Something is fishy here," akadaro


ndikati, "so uri kufunga kuti ndini?"

"When did i say that? Ndiri kuziva kuti


hauna kuisa so ndiri kushaya kuti
ndiyani."

"So paya wandisiirei kuchipatara?"


Ndakabvunza zvikanzi, "handina
kumbokusiya willingly ndatozozviona
ndasvika kuno kuti wasara."
"Liar," i said zvikanzi, "let's forget it babe
ngatimbosimbisa Future."

"Who is Future?" Ndakabvunza


ndichimutema nepillow and in no time
tanga takutosimbisa mwana zvakaita kuti
ndinonoke kumuka. Ndakazvinyarira
ndamuka zuva rakwira ndikati Denny kana
kuda kundimutsa kuri kuda kutsvaga
kunditukisa nemuchembere wake.
Ndakageza kuface ndokunanga kukitchen
kwandakasvika Denny achiti, "Nyasha
haakwanise kuuraya kana huku so
anozouraya munhu akamira pai? Zviri
paviri kuti mhai ndimi makazviisira
mushonga wemakonzo nekuda kuti
Nyasha abve pano kana kuti imi baba
ndimi makaisa mushonga nekuda kwekuti
makarambana namai saka imi
mukasataura chokwadi muchaona
zvandinota."

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/ENkuckAPCan
FaJ1dTwBgFf

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 8

Nyasha

Ndaiti ndini ndega ndakaterera


ndokuzoona vana mainini vanguwo
vakanamira pamadziro kuseri kwemba.
"Wave kutivhunditsira pamusoro
pekupotsa kuuraiwa nemukadzi wako?"
Vakabvunza vamwene zvikanzi, "handisi
kukuvhundutsira and I want this to be the
last time you blame Mamoyo fo..." Asati
apedza akanzi namai vake, "shut up
usade kushamisira uchitaura chirungu
zvenhema ndirini ndakakuendesa
kuchikoro pasina ini hameno ungadai
uripi iwe asi nhasi wakuita sewamera
mapapiro nekuda kweka under age
zvako."

"Musade kutiza nyaya yenyu mhai ndati


poison yakapinda sei mundiro!!" Akadaro
achirova door zvine hasha zvikanzi,
"bvunza mukadzi wako izvozvo." Asati
apindura Ishe akabva apinda mumba
achiti, "wakauya nagogo aYudo(Rudo)
akati ipa gogo ako ndikamupa gogo
akaisa pasi achiti haafeka unoitisa
mudumbu chete haasi mama vangu
akaisa nigogo," aiti ari kununura Mai asi
haana kuziva kuti ave kutozvivengesa
nambuya. Ndakaenda paive naIshe iye
ndokubva ati, "ausika mama?"
Ndakagutsirira musoro ndokumuzevezera
kuti anyarare zvikanzi naMai Denny,
"zvino haunyare Mamoyo kutuma mwana
kuti ataure manyepo akadaro?" Mwana
wacho ndiye akatanga kushamisika
anzwa mbuya vake vachidaro ndokuti,
"anisi kunyepa ini."

"Fungai!" NdiDenny akadana Fungai uyo


akauya achimhanya akatumwa kunodana
mbuya vaRudo zvikanzi navamwene,
"newewo Denny unazvo unganodanira
mbuya yevanhu nyaya dzemakuhwa idzi
iko kutamba nepwere ndokunoita kuti uite
semunhu asingafunge iwe Fungai tigarire
pasi uko." Denny haana kuvapindura
ndokuti kunaFungai, "iwe enda
kwandakutuma!" Akapusa Fungai
achishaya kuti oterera ani mai vachiti
gara mukoma vachiti enda.
Akazongorovera moyo padombo
akamhanya kwambuya vaRudo ikasara iri
noise. "Kubva nhasi uti mhai kuna Denny
kwete kwandiri wazvinzwa?" Aigozvinzwa
nepi zvavaitaura mai vake iye anga aenda.
Zvaive pachena kuti Denny ndiye aipihwa
respect pamba yakanyanya zvisiri zvekuti
ndiye anga ari dangwe but because
Denny was the breadwinner. Vamwe
vakomana vaishanda zvavo but you could
see that mari dzavaitumira dzaive
dzekuchengeta vakadzi vavo nevana
chete. At first ndaifunga kuti Mai Denny
vanoremekedza Denny kudaro nekuda
kwekuti ndiye provider but ndaive
ndakutoona kuti noo mhani there's
something more to this love and respect.

Mbuya vaRudo vakasvika pamba


ndokungonaiwa nemibvunzo pasina
avamutsa. "Mushonga wamakapa mai
ndewei?" Akabvunza Denny vakatanga
kuti, "mushonga? Mushonga upizve nhai
mwanangu?"

"Mushonga wamakavapa kuswera zuro,"


akadaro achienda kwavari ndikaona Mai
Denny vachitsonya mbuya vaRudo but
mbuya vaRudo havana kuzviona vari
busy kuti, "mushonga mushonga?"
Denny asvika pavari vakazoti, "hoo hoo
iwe mai vako vakaauya kumba kwangu
nechana chako vachikumbira mushonga
wemakonzo vachiti pane gonzo ranetsa
ndikatovapungurira."

"Ko zvekuti unouraya zvaizobvepi?"


Akabvunza zvikanzi nambuya vaRudo,
"kwakanaka here nhai mwanangu
ukagoita semupurisa? Mai vako avo ndivo
vakabvunza kuti vanhu unouraya here
vachiti vanotyira vazukuru vavo vanobata
pese pese ndikatoti hauzouraye zvawo asi
unoitisa mudumbu wekuti unodemba kufa
pane pandakatadza here?"

"Maita basa chose ndizvo zvega zvanga


ndichida kuziva," akadaro Denny mbuya
vaRudo vakadzokera kumba kwavo
vachishaya shumo yazvo kuti vabvunze
vaitya Denny. "Mbuya vaRudo vanonyepa
futi?" Akabvunza mai vake Denny
zvikanzi, "mushonga ndakatora
wemakonzo kwete wekuda kuzviuraya
munhu akakwana angazviuraya?" Madiro
avaiita kutambira kure nechokwadi
akandipedza simba ndikanzwa vakunzi,
"kumbirai ruregerero kuna Mamoyo."
Vanzwa kudaro vakati gwadara pasi kuri
kutemba kuti vanowachirwa nevaroora.

"Sorry Mamoyo handina kufa


pawakandiisira poison musadza asi next
time ndiri kufa. Ndokumbirawo ruregerero
murora wangu ndakatadza kufa,"
ndakapererwa vakudaro Denny
akadzungudza musoro akavatarisa
ndokundidana tikaenda kubedroom.

"I'm sorry Nyasha," akataura achinzwisa


tsitsi ndikati, "next time pavanozviita
ukandisiya muchipatara i'm not going to
forgive you. Unoziva ndakafamba netsoka
kubva kuchipatara kwese uko?"

"Ko iwe waive waenderei usina kupfeka


mapushi?" Akabvunza achindidhonzera
paari ndikati, "takabva tichimhanya
mhanya."

"Ini mai ndazovatadza everyday drama,"


ndisati ndapindura ndakanzwa Ishe
okwama ndikabuda mumba
ndichinotarisa ndokuona achirohwa
nambuya vacho. "Ko aita sei?"
Ndakabvunza ndasvika pavari ndichida
kubata shamhu vakabatanidzira
makumbo angu kabisira. "Mwana
akakanganisa haacharohwe here pano?
Mototiudza imi mai vepano," vakadaro
vachikanda shamhu kure vaona Denny
achibuda mumba. "Handina kuti
musamurove asi ndabvunza kuti aita
sei?" Ndakadaro Denny akasvika
achibvunzawo kuti mwana aita sei
zvikanzi, "mwana wako ane mavovo
kungomugumha otochema. Ndiri kuisa
cobra akusvika achiitsika tsika isati
yaoma ndokubva ndamurova rova maoko
kwakutokwama semunhu abatirwa
banga." Pavakanyepa kudaro ndakati
handivapikise ndikatora Ishe ndikaenda
kukitchen naye. Airoverwa mhosva
yekufumura mbuya zvekutsika cobra
zvaitove zvimwewo.

"Gezai timbobva pamba," akadaro Denny


apinda mukitchen tikati, "yes yes yes."

"Regai muchinzi pwere hamuna kana


kukwana," akadaro Denny aona tichifarira
kubva pamba. Takageza tikapinda
mumota tisina kana kudya nekuziva kuti
kumberi tainotengerwa tunonaka. Tasvika
kuroad yemota ndokuona Mai Ishe
vachimisa mota yaDenny ndokubva
ndamutarisa neziso rekuti chii chauri
kuda kuita paakamisa mota paside
peroad.

"Mamoyo zviri sei?" Vakadaro Mai Ishe


vauya pamota ndikati, "ndiri bho muri
sei?"

"Ndingaonei zvangu ini? Muri kuendepiko


nhai Ishe?" Vakabvunza mwana
vachimutambisa ruoko. Ishe akasimudza
mapendekete zviya zvekuti handizivi.
"Ndiri kuenda kwaMakuvaza uko
ndokumbirawo lift kana muchienda
neikoko." Vakataura vakatarisa Denny
zvikanzi, "pindai?" Ndakaona munhu
ovhura kumberi Denny akati, "endai
kumasure kuno hamukwane kani."

"Hii nhai Denny ndorohwa nemhepo


kumasure uko pane kuti tipatikidzane
tikwane kumberi kuno. Svedera uko
Mamoyo tinokwana," vakadaro
vachindiswededza ndikaswedera Denny
akanditarisa neziso rekunditsiura. Ndiye
aive abvuma kumisa mota saka aitofanira
kuvatakura. Ndaisvotwa ndinavo paside
asi hapana zvandaikwanisa kuita apa ivo
kuda nyaya manje. Vaisazorora kubvunza
kusvika ndazoti, "muri mutapi wenhau
here?"

"Hezvo watotsamwa nhai Nyasha zvino


unogara sei navamwene vako kana
uchitsamwiswa nezvinhu zvisina basa
kuda?" Vakadaro ndikaramba
ndakanyarara ndokuzoti kuna Denny,
"ndokumbirawo umise mota ndiende
kumasure hangu." Yakamiswa mota
zvikanzi naDenny, "Mai Ishe enda
kumasure can't you see kuti Mamoyo
haachafeme zvakanaka?"

"Iye ngaaende kumasure kune mhepo


yakawanda," vakadaro zvikanzi naDenny,
"fine chiburukai awane kubuda."
Paakadaro ndakamutarisa neziso rekuti
tinopedzerana. Mai Ishe vachiburuka
akabva akasira kuvhara door nekutotanga
kudriver vakasiiwa vakati vavava paroad.
Luck enough Ishe anga arara otherwise
aizobatikana kuona mai vake vachisiiwa
nemota.

"Hausi serious Denny," ndakamudaro


zvikanzi, "atosvika uyo let's forget about
it." Ndakangosiyana nazvo tikaenda
kugrowth point kunozvifarira
ndokuzodzoka kwasviba chaiko. Denny
akasvika pamba achibuda achienda
kwaive afonerwa regarding nyaya
dzekuvaka. Akaenda naIshe ndokusara
ndiri ndega mubedroom sezvo panga
pasina chekuendera kukitchen vanhu
vapedza kudya. Semazuva ese Mai Denny
vakapinda mubedroom vasina kunoka.
"Kwabviwa kuri sei?" Vakabvunza
vachigara pabed ndikati, "kuri right."

"Zvinokudzwa nekuti mazuva mashoma


uchifara kudai," ndakanyarara vadaro
nekuti Denny aive andiudza kuti kana
vatanga kutaura ndinyarare nekuti
kazhinji vanenge vachitsvaga kuti vazoti
vakapindurwa zvakati. "Unoziva
chakaendesa Mai Ishe? Handidi munhu
anopinda pakati pangu naDenny. Dai uri
umwe waita waterera zvandinoda nekuti
pano unobva usina chaunacho semabviro
akaita Mai Ishe. Wakambonzwa kuti
vakabvirei?" Kwanga kwave
kundivhundutsira ndokubva ndazovati,
"imi problem yenyu nevakadzi vaDenny iri
pai chaizvo nekuti ini handina
chandakakutadzirai asi
munongondivenga."

"Kudiwa kwawakaitwa naDenny ndiyo


mhosva yako hombe iyoyo nekuti ndanga
ndisingade kuti Denny aroore," it came
straight from the horse's mouth.

"Why manga musingade kuti aroore?"


Ndakabvunza zvikanzi, "because ndaida
kuti..."

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/JO7If2GkPI4EF
vHtiHODER

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 9
Nyasha

"Ndaida kuti aite Fata," vakadaro Mai


Denny vaona mwanakomana wavo amira
padoor. "Maida kuti ndiite Fata?" Denny
akakanuka akavatarisa ndokubva
vagutsirira musoro. "Zvekuita Fata
zvinoita zvekuudzirwa here nhai veduwe
and haasi Mamoyo akanditadzisa kuita
Fata nekuti neniwo ndanga ndisingatozive
kuti maida kuti ndiite Fata."

"Hezvo nhai mwana waJames! Ndamboti


Mamoyo ndiye akakutadzisa here kana
kuti ndanga ndichimupindura paabvunza
kuti sei ndanga ndisingade kuti uroore
ndikati ndaida uite Fata pandakanganisa
ndepapi?" Vaitaura vachirasa rasa maoko
zvikanzi, "it's okay morara zvakanaka
mhai?" Akadaro Denny nekuda kuti
vabude ndokubva ati Mamoyo ukasire
kumuka pane kwandinoda kuenda newe."
Vakadaro vachibuda ndikada kuvabvunza
kuti kupi asi vanga vatoenda. NaDenny
hatina zvizhinji zvatakataura sevanhu
vaive vakaneta.

The following morning ndakamutswa


kuma3am BP yavo yatokwira vachiti
vakanditi ndikasire kumuka. "Tiri kuda
kuendepi?" Ndakadavira ndichiri mujira
zvikanzi, "hande unoona taveko."

"Mamoyo chingoenda kuitira kuavoider


noise kani," akadaro ari kuhope Denny
ndikamuka ndichimutema nepillow. Ndiye
wandaitotemba naye kuti achabvunza mai
vake kuti vanoendepi neni that time.
Ndakapfeka zvinodziya ndikabuda panze
ndisina kana mufaro. "Mamuka sei?"
Ndakavamutsira zvemutemo chete
zvikanzi, "ndamuka." Vakadavira
vachifamba ini ndokutevera musure
mavo.

"Mai Tara akahotumirwa mari here?"


Vakandibvunza tichangobva pamba
ndikati, "vaiti havasati ava handizivi kana
yakazouya," ndakapindura ndichikwiza
maoko angu kuti ndidziirwe ndikaona
shasha yakuburitsa magloves
muhandbag ichindipa ndikatoshaya kuti
kutsvene here asi ndakangotambira
ndichivatenda semunhu ainzwa chando.
"Munonetsa kuti mukawana mari
vanaMamoyo motofunga majigi
kukanganwa kuti munoda kupfeka izvezvi
uri kubvunda seunorwara nekushaya
chekupfeka ukati preparation
wakatombotenga iwe?"

"Preparation yani?" Ndakabvunza


ndichipfeka magloves zvikanzi, "saka
unoti ndoreva yaIshe here? Yemwana
iyeye wawakatauraka?"

"Ahh mama tichazotenga kana nhumbu


yatikurei," ndakadaro zvikanzi, "Mamoyo
iwe uchiri mwana zvemachokwadi. Unoti
mari inowanikwa mazuva ese here pana
Mai Tara takanyara tikashaya pekupinda
munhu aenda kulabour asina kana
chipenheti zvacho murume wako ndiye
akazondipa mari munhu ave mulabour
ndikamhanya mhanya ukatarisa nanhasi
Tara achiri kupfeka hembe dzakatengwa
naDenny uone mai kuchena nekutenga
maface powder nechikafu mwana
achifamba akashama kungati chinhu
chichadyiwa nembwa wakanganwa musi
uya akanhanzva kumagadziko nembwa
shure yese iri panze," ndakaseka
ndarangarira musi wacho. Pana Mai Tara
vaisanyepa zvavo Mai Denny nekuti
mwana aifamba akashama.

"Ko iyo nhumbu yaizosvika nine months


vanhu vasina kutenga zvinhu sei?"
Ndakabvunza zvikanzi, "vaiitaka izvozvi
zvauri kuita kuti ndichazotenga nhumbu
yakura plus iyewo Mai Tara akanyepa
mwedzi zvekuti mazuva azvarwa mwana
baba vake vakatombomuramba vachiti
haasi wavo asi newewo chero ukatarisa
Tara unotoona kuti musoro banga uya
hausi wekwaMhanga." Ko ndaizviziva kuti
Mai Denny kunyeya ndiko kudepartment
kwavo chaiko worse pandaivadavira
vaibva vaita manyawi zvekuti aitiona
nguva idzodzo aifunga kuti tinopindirana
zvekuti hameni. Vakanyeya varoora vavo
kusvika zuva rabuda tichingofamba
ndikademba kuti dai vaive vati Denny
atiperekedze nemota.

"Kozoti uyu Mai Ishe haa mukadzi uya


ndakamutadza ini," pavakataura zita raMai
Ishe ndakavatarisa kuface chaiko nzeve
dzakati kwanga. "Unoziva kuti Denny
anga asingadye chikafu chaiibika?"

"Achiti zvadii?" Ndakabvunza nevoice


rekuda kukwapa. "Vana vemazuvano
munongomhanyiraka marriage musina
kurairwa manje zviya zvinoda uchidiwa
kwete zvakaita Mai Ishe zvekumanikidzira
Denny. Tavanzwira tsitsi tikati chigarai
vakazvikanyira vega imba yavo.
Aipakurira Denny mundiro yaakabooka oti
huchapa waiguta kani. Waitozonzwa
Denny achiti kana ndisina kubika
anozvikangira maputu haade zvetsvinaka.
Mai Ishe waitomuyeuchidza kuti
kunogezewa uye murume anodziisirwa
mvura. Kana Denny atoti anoda kugeza
waimuona achinotora sipo yekusukisa ine
matsito ebhodho achimupa ini kana
ndozodziisira mwana wangu mvura
nekumupa sipo dzinonhuhwirira konzi Mai
Denny vanodanana nemwana wavo."
Hana yangu yakati rovei pavakadaro
nekuti mupfungwa mangu ndaitoti
vanodanana nemwana wavo.

"Zvavanoita semunhu anogeza geza ari


smart wani Mai Ishe?" Ndakabvunza
zvikanzi, "kwaniiko kahunhu kevakadzi
kekuda kuzoziva mvura vasiiwa ava. Iko
ndakanzwa kuti akakwira mota nemi,
umuchenjerere munhu uya anobata
mushonga wekuti unoswera warambwa,"
ndakavatarisa for a moment vadaro kuti
ndiMai Denny vangu vandoziva here or
what. Munhu aiti Mai Ishe was better than
me.

"Hamuna kuzondiudzaka
chakavapesanisa naDenny," ndakatotora
mukana iwoyo kuti ndivabvunze nekuti
Denny wacho aingotsika tsika nyaya
yacho. Honestly speaking zvaiitika
ndaisatozviziva nekuti kumba yavanga
vakavaka naDenny, Mai Ishe aigara ikoko
dzimwe nguva Ishe omboendako pavanhu
achitonzi muroora wekaMhangu but then
wozonzwa kuti vakarambana naDenny.
Mai Denny vakatura mafemo
ndokuzongoti, "chakafukidza dzimba
matenga Mamoyo handina
chandingakuudza uchiri mwana iwe plus
chero ndikataura ndozonzwa
ndakubvunzwa naDenny." Handina
kuzoramba ndichivabvunzurudza tasvika
pacho pataienda.

"Kana ndave kutaura iwe unyarare


wazvinzwa," ndakagutsirira musoro
ndichipinda navo muhall umo maive
makazara vanhu though vanga
vakanyarara. Ndakawaridzirwa zambia
zvikanzi ndigare ivo vanouya. Ndakasara
ndikaona munhu akuenda pavanhu vaive
vakagara pamadesk nechekumberi
vachinyoresa nyoresa. Ndakambeyesa
maziso hall yese ndokuona pakanyorwa
zveHIV and AIDS. "Handina AIDS kaini?"
Ndakadaro ndega ndokuzoona rimwe
poster raive nezvenhumbu ndikati pamwe
ndizvo zvandadanirwa.

"Nyasha!" Vakandidana Mai Denny


ndikaenda kumberi kuya ndikavanzwa
vakuti, "ndiye mwana wangu uyu
akabatwa HIV and AIDS mwedzi wapera
pamwechete nenhumbu murume wacho
ndokubva aramba nhumbu. Tikamboda
kuenda kumapurisa munhu kwakutiza
achienda Joni izvezvi kumba hakuna
rugare nababa..." Vakaenderera mberi
nekunyepa nezita rangu zvekuti
ndakashatirwa kusvika pekupedzisira
ndikati munhu kufamba achindiudza
makuhwa ake nekundisekerera izvo kwani
kuda kuwana mari neni. Paive reprogram
yekubatsira vasikana vari below 18 vane
nhumbu dzisina vanochengeta nevane
AIDS vave kusemewa nehama.
Vaibatsirwa nekupihwa mari dzekutanga
maproject. Ndakatoitwa matest enhumbu
kwakutofiller maform ndokunogara
nevamwe pasi.

"Muzukuru wangu haasi kunzwa nzara


here ndaona vanhu vane mabanana
panze?" Vakadaro vachisekerera nhema
nekuziva kuti ndaive ndatsamwa.
"Ndakaguta," ndakadaro ndokubva
ndarova serious zvikanzi, "ukangoona
mari iyi ikaita tinenge tapindazve kupinda
chaiko kunze nemukati tinenge tichadei?
Iwewe wozorega kuudza vanhu kwedu
uko nekuti vanozofambisa guhwa risiro
vakuti une AIDS usina. Wamboona
chitsotsi chandaita paya here muroora?"

"Ndazviona mama," ndakapindura kuti


zvindibve asi zvaitondinetsa kuti Mai
Denny vakaiwanepi AIDS. Handiti vanga
vati ini ndine AIDS asi pakuzoita matest
eHIV ndivo vakaita sezvo vanhu vaiita
matest vaive kuseri akanyora ndokungoti
AIDS iripo asina kutarisa zita. Zvinhu
zvacho zvaive nelong process kuti padiki
padiki padiki tadaniwa tichibvunzwa
zvinhu zvisina basa ndokuzopihwa mari
yacho zuva radoka that too yemuphone.
Message yemari payakangopinda
mukambudzi kavo vakandiratidza ndokuti,
"sara wakandimirira pano ndimbotsvaga
chimota apo." Ndakasara ndikamira
ndikagara ndikasimuka
ndikambonovatarisa paroad but vanga
vatorova pasi apa kunze kwanga
kwatozvidokera ndifunge distance
yekudzokera kumba yataive tafamba
kusvika makumbo asingachade.
Kunditangira kusvika kumba yaitove
disadvantage yangu nekuti
vainondikurungira nhema ikoko. Pahall
pakasvika pakuvharwa vanhu vese
vaenda ndakungoti toi toi semunhu ane
chaarasa apa nguva dzichifamba.

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/CXt4r23IimP0e
RkExgHHd0

Vanoda Mamoyo from 1 pindai umu.

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 11
Nyasha

Ndakabva pahall paya nguva dzapaive


pakutyisa ndokuenda kuroad kwaive
nevanhu vaitengesa. Ndaingombeyesa
maziso ndakagara padombo ndichiti
pamwe mbuya iya ingadzoka asi
kwakaenda imbwa ndiko kwakaenda
tsuro. Misodzi yakatanga kubuda
seichanyorovedza hembe
ndokuzongoona mota yandakaziva kuti
ndeyekuraini kwedu. Ndakaimisa
nemaoko ese ndichidaidzira kuti imire
ndokubva yauya paside pangu. "Hey
Nyasha," akadaro mukomana aive
mumota ndikati, "makadii henyu?"
Ndichitovhura door remota zvikanzi,
"huya ugare kuno," ndakaenda kunogara
naye akamutsa mota.

"Iri sei marriage yako?" Akabvunza


akanditarisa ndokubva ndangoti, "iri bho
no problem." Mumusoro mangu
ndaitozviudza kuti inyaya yekuti
ndakakwira mota yekumba kwavo
otherwise ndaimuudza zvinoenderana
naye. Aitoda zvekutaura neni whereas ini
ndichironga way yekupfidzisa Mai Denny
vaizviona sevakapenga maningi.
Mukomana uya akazosiyana neni
afonerwa vakatora nguva yakareba vari
paphone zvekuti ndakatoshaya kuti
munhu wacho aifona nemari yake kana
kuti neland. Phone yakazokatiwa tapinda
muraini medu ndikati, "maita basa
mukoma chindisiirai pano." Ndakadaro
nekuti ndaisada kuti tizopinda mukati kati
vanhu vondiona ndichiburuka. You know
chero kwanga kwasviba kune vanhu
vanoona zvekuti kana nyaya yakubuda
inoita sezvimwe zvinhu.

"Regai ndinokusiya pamba penyu


Nyasha," akataura achida kundibata
ruoko ndikarinzvengesa ndichiti, "maita
basa mukoma ini ndiri kuburukira pano."

"Eeh nhai Nyasha ndonzi James,


chindipawo number zvadzo," ndakaramba
ndakanyarara iye akatoona kuti masamba
asiyana kwakuchiti, "mari yangu
yetransport."

"Ndouya nayo kumba kwenyu mukuseni!"


Akavhura door ndadaro ndokubva
ndaburuka mumota. Yatoenda ndipo
pandakazoona kuti jacket rangu
handisisina ndichiti pamwe rasara
mumota ndokuzoyeuka kuti rasara
kwaMakuvaza sezvo ndaive
ndakarivharisa makumbo kuitira
mosquito ndokuzomhanya ndichirisiya
ndaona mota. Anyway ranga risina basa
zvakanyanya saka ndakapfuurira mberi
ndakananga kumba.

"Nyasha?" Vakaita kakukanuka


vakanditarisa baba ndikati, "maswera
sei?" Baba vasati vadavira mama vakati,
"kwakanaka here kwawauya pano this
time?" Handina kupindura mama
ndichitarisa mudenga zvekuvhara misodzi
nekuti ndaitonzwa zvichinditi chema.
Pasina andibvunza chaive chaitika
ndatanga kutaura nyaya yangu.

"Ko wadii wangonanga kumba kwenyu?"


Vakabvunza mama zvikanzi nababa,
"ndizvo zvaiita pano ndipo pamba
paNyasha."

"Handide kudzokera baba kusvika ivo Mai


Denny vauya pano nekuti kumba
vachatosvika vachinyepa kuti ndine
chirwere," ndakataura ndichipukuta
misodzi yanga yazara pamatama zvikanzi,
"chero vakanyepa munongoenda
kuchipatara pane chinochemedza here?
Munoona nyaya dzenyu dzekumhanyira
dzimba muri vana izvezvi mave kutinetsa
pasina kana mwedzi." I chose to ignore
her ndokudya sadza randaive
ndapakurirwa naMunya. Ndakapedza
kudya mama vachingovava chete, baba
vakazoti ndinozorora kunhanga kwangu.
Chero ndaive nestress hope hadzina
kunonoka kubata semunhu anga akaneta.

Kwakaedza baba vakaenda kubasa mama


vakauya kwandiri vachindinyengerera kuti
ndiende kumba asi ndakaramba sezvo
ndaive ndaronga kupfidzisa Mai Denny
uye baba vanga vati ndisaendeko kana
kuudza anyone weikoko kuti ndiri pamba
kunyangwe mama vaive vatoudzwa kuti
vakangotaura nezvangu ndivo
vainonogara kwana Denny. Ndakamboda
kunzwira Denny tsitsi ndokuzozvidzora
ndafunga kuti chero Mwari vanoranga
vana nemhosva dzemadzinza saka iye
aifirawo yekuzvarwa nemunhu ane moyo
wakasindimara.

"Ndinotaurei zvangu ini pano pamusha


tototerera imi mai wemusha," vakadaro
vachibuda mama ndikangoti hameno
ikoko nechemumoyo. Zuva rakavira akava
manheru kukaedza izvo zvakazoitisa baba
hasha kuti sei vanhu vekwaMhangu vasiri
kuuya kuzotaura kuti havasi kundiona.
Zuva rimwe repiri parakadoka
vakaendako vachinondibvunza vakadzoka
vachiti, "Denny ati waenda naMai Tara
kunomirira zvinhu zvatumirwa nemurume
wavo." Kunyepera kwaaive aita baba
ndakashaya kuti kwaive kwekutya
kuvaudza kuti mai vake vakandi dumper
or what? Baba vakati havana kuda
kumupikisa vakangosiya vamuudza kuti
kana ndazodzoka ndouya ndovaona.
Takarara zvedu zvakanaka chero vangu
mai vaibundirwa pahuro pavo. The
following morning ndakamukira
kuchikoro nababa vachida kuti nditore
mapaper aive vakanganwa the previous
day. Ndakangoti ndichipihwa nekutobva
pachikoro i guess you know why.
Ndichibva pachikoro ndakabva
ndadhumhana naJames achisiya
hanzvadzi dzake pagate ndikaita
sendisina kumuona chero ndaitoda
transport pakudzokera kumba. Semunhu
aive nemota akazokasira kundibata
ndisina kure kwandaenda.

"Muri kuenda here kumba Mai Denny?"


Akabvunza akadzikisa window remota
ndikashama muromo nekumunzwira
ndichimuti, "Mai Denny?" Ahh aida
kundifananidza naMai Denny manje.
"Eheka handiti uri mukadzi waDenny."

"Ndonzi Mamoyo," ndakadaro


ndichifamba nekuti mweya wekupinda
mumota wake wanga watondiregedza
nekunditi Mai Denny. "Ehoi VaMamoyo
kana muchienda pandai ndonokusiyai
zvangu paMado mozongodzika mave
padhuze," paakadaro ndakazongopindira
mumota make nekuti anga anditaudza
nerespect kwete musi uya waaingonditi
Nyasha this Nyasha that. PaMado pacho
hatina kunonoka kusvika sevanhu
vaitaura nyaya zvichiendeka. Aindibvunza
nezvaRudo wepanext pedu uya ana
mbuya vekupa vamwene vangu
mushonga. Anga adyira panaRudo asi
kuti amusvikire ega zvairema.
Ndakaburuka mumota ndichitoseka
ndokubva apfuurira mberi nerwendo
rwake ndichida kuti ndifambe ndokuona
mota yaDenny pamberi pangu. I sensed
disaster there and there ndokubva
ndangochiller. Akaburuka mumota make
achiuchira achiti, "wow Nyasha, I'm sick
and worried about your whereabouts but
here you're enjoying yourself with that
bastard."

Ndakaita sendisina kumunzwa ndokuti,


"matii? Tangidzai zvamataura,"
ndakadaro ndakarova keserious kemunhu
aishaya zvekuita.

"Chakakutadzisa kudzoka kumba chii?


Unofunga kuti dai wakanditaurira kuti
wakazvarwa neAIDS ndaitadza
kukunzwisisa pane kuenda uchinopemha
semunhu asina murume. Fine let's say
waitya kundiudza chokwadi asi
hawaizotadza kusvika kumbaka. As of
now ndiri kubva kupolice kuno report kuti
handisisina kukuona. You don't know kuti
ndanyadziswa sei ikoko nekuda kwako
ndichibvunzwa zvisina basa. It's good
that you're back at least chienda kumba
kwenyu hama dzako dzaikutsvaga, uite
zvaunoda futi ikoko," apedza kudaro
akabva apinda mumota ndokutoimutsa ini
ndokutsvaga dombo rekugarira sezvo
ndanga ndapererwa nezvekuita uye
ndisisina simba rekufamba kuenda
kumba.
End of chapter...

https://chat.whatsapp.com/KXKzX5QvZln0
i0Er6DVeyz

*Rue M Novels*

Let's be one
200rtgs

We Are One
200rtgs

We'll never be one


150rtgs

Only You 1&2


200rtgs

Almost love 1&2


250rtgs

Back to you
150rtgs

Rumbidzai
150rtgs
Scared to be lonely
150rtgs

Complicated love
150rtgs

Power of love
150rtgs

Promises
150rtgs

Loved
200rtgs
Dilemma
200

Ensnared
Free

Ecocash_0788357900 R.Mbombi

After payment inbox 0788357900 with


proof and get your full PDF
https://chat.whatsapp.com/HecBhzGnXnV
ENGNeLxoXL0
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 10

Dennis

Zuva richidoka ndakaona mai vakusvika


pamba vega Mamoyo vasinaye ndikangoti
pamwe vanetsana umwe neumwe akauya
neroad yake achasvika zvake Mamoyo
uku ndaidemba chandaive ndabvumira
kuti aende nekutoziva kuti aiswedzwa
nenzara. Vakasvika mai nekunanga
kubedroom kwavo vasingadavire
vaivasweresa. After thirty minutes or so
ndaona Mamoyo asina kuuya ndikati ko
kunobvunza kwasara mukadzi.

"Handina kana appetite zvandaitirwa


naMamoyo surrender," ndakasvika
mubedroom mavo vachidaro kuna Mai Firi
ivo Mai Firi vachindiona vakabva
vasimuka vachibuda mubedroom
kwakundidira mvura iri mudish kwakuti,
"sorry imistake." Vaive vachiri
vakandibatira grudge remusi uya
wavakanyepa kuti mai vafa. Pamba
taipfuudzana pasina aimutsa umwe. Ini
ndanga ndisina pressure navo asi ivo
vaitoda kuti ndivanhanzve kuti
vanditaudze of which nguva yacho
ndanga ndisina.

"Mamoyo aripi?" Ndakadaro ndichigara


pasi zvikanzi, "ndaswera kana
waswerawo." She wanted me to feel guilty
but ndaizoita zvemafeeling akadaro
Mamoyo avepo. "Ndati Mamoyo aripi?"
Ndakabvunza kepiri voice rati kwirei
kuitira kuti munhu aone kuti ndiri serious.
"Asara," vakadaro vachipinda mujira
ndikati handivabvunze zvakawanda
ndokuti, "endai munomutora handi ndimi
mabva naye pano."
"Hezvo nhaiwe unondishura? Ndomutora
pai?" Vakakanuka nhema vachidaro
ndikati, "momutora pamamusiya."
Vakamuka vakatanga kupfikura zvavo ini
ndisisina kugadzikana nekufunga kuti
kamwana kevanhu kaive pai. Mai
kusavarova yaingove nyaya yekuti
vaichengetedzwa nengozi chete pasina
zvengozi ndaiswera ndavakwatura nekuti
zvimwe zvavaiita zvainzwisa hasha.
"Wanga washayei pawakatora Mamoyo
nhai Denny?" Mubvunzo wavo
wakandisvota ndikabuda mumba mavo
ndichidana Fungai.

"Mukoma!" Akatouya achimhanya asati


anzwa zvandamudanira akabva ati, "ko
maiguru varipi? Ndasangana naRabbi
akati vandipe maquestion paper
avavapihwa zvese nemabook acho amake
mate..."

"Mamoyo haapo," ndakadaro ndatoona


kuti haapedze kutaura zvikanzi, "vana mai
havasati vadzoka nazvino here? Ndanzwa
Ishe achiti vadzoka wani?"

"Mai vadzoka asi Mamoyo achigere


kudzoka iwe chienda kwaSekuru Shumba
unovadana uti zvanzi naDenny svikai
kuno nekukasika, utodzoka navo
nekukasika." Ndamuraira kudaro aitoda
zvekundibvunzurudza ndokuzoenda aona
ndaramba ndakamutarisa.

"Fungai! Fungai!" Vakatanga kudana


mwanakomana wavo mai chero vaive
vanzwa kuti ndamutuma. Chinangwa
chaive chekuti ndivapindure asi
ndakaramba ndakanyarara. Nguva
idzodzo Munya hanzvadzi yaMamoyo
akabva asvika pamba achida maquestion
paper ndikatozopinda busy
yekumatsvaga kuti ndimupe ndangoti
Mamoyo ari panext nekuti zvaisaita
kutaura kuti Mamoyo haapo abva pamba
kuma3am namai vangu kana adzoka
achazomatarisa ega. Munya achienda
Fungai akabva asvika nasekuru avo
vaifamba vachidya kuri kuda kuti ndione
kuti ndavasimudza vachidya. Ko vanhu
vacho vaive nedrama asi kuti sekuru
vaizoita semunhu mukuru kudarika
hanzvadzi yavo.

"Kwakanaka here muzukuru?" Vakadaro


vachigara muberevere remba
vachifemereka ndikatovanzwira tsitsi
nekuvamhanyisa. "Hakuna kunaka sekuru
hanzvadzi yenyu yabuda nemukadzi
wangu kuma3am asi munhu kwakudzoka
ega iko zvino achiti Mamoyo asara saka
ndokumbirawo imi sehanzvadzi yavo
muvabvunze kwavamusiya ini
ndikazotaura navo ndopedzisira ndaita
zvimwe." Mai vanzwa ndichireva kudaro
vakabuda mumba ndokuuya kuzoisa
musoro pamakumbo ehanzvadzi yavo
kwakutanga kuchema.

"Mira kuchema Mai Denny utaure kuti


muroora wamusiya kupi?" Vakadaro
sekuru zvikanzi namai, "gore rino
ndikasafa neBP handichafe. Denny
nemukadzi wake havandizorodze
hanzvadzi. Zuro ndizuro Denny
akandisundira panze achiti ndisapinde
mubedroom make. Kutaurisa kudaro
kuziva kuti ndiye akavakisa musha uno
asi musha ndewangu."

"Musha ndewako hakuna anokutorera asi


mukadzi wemuzukuru wamusiyepi?"
Vakadaro sekuru zvikanzi, "asara
kwaMakuvaza uko."

"What?" Ndakabvunza ndichishamisika


nekuziva kuti kwaMakuvaza kwaive kure
nekumba apa ainge ari pai. "Asara nani?"
Ndakabvunza zvikanzi, "ndogoziva here?"

"Handiti ndiwe waenda naye?" Vakati


joiner baba vachidaro zvikanzi,
"chimbomirai nditaure." Pavakadaro
ndakavapa mukana wacho wekutaura
zvikanzi, "ini ndamumutsa makuseni
ndichiti tiende kwaMakuvaza kunotaimira
munhu wandakabatisa mucheka yangu
aibva Harare saka akanditi ari kupfuura
nekwaMakuvaza makuseni seni saka
ndamukira. Tasvika kwaMakuvaza
zvakanaka munhu uya atopfuura kare
sezvo anga achimhanya mhanya
ndikatomufonera ndakatsamwa ndichiti
andimutsirei zvake kana achiziva kuti ari
kupfuura ndipo paandiudza kuti asiyira
mucheka mbuya vake vane grocery store
ndokubva tanotora ikoko asi pakuzobva
mushop imomo ndaona Mamoyo asisipo
ndokusiyazve mucheka uya mustoro
ndichiti nditsvage mwana
ndingamuwana? Ndambeya ndikambeya
kusvika ave masikati ndokudzokera
kushop kuya musikana anga ariko akati
ndimbonomutarisa kuhall kwanga
kwakaungana vanhu ini ndokunanga
kuhall. Panga pane munhu kwete
zvekutambisirwa zveimi zvekuti
ndamutsvaga kusvika ndamira hoo
kusvika vanga vachiita zveprogramm
dzavo vabvunza kuti ndarasei ndokuti
ndiri kutsvaga mwana wangu akadai
akadai nekuti zvanga zvisingaite kuudza
vanhu kuti kasvava kakadaro kangava
muroora wangu. Vanhu vaya ngavatange
kuti nanga nanga neni vachiti ndakarega
kubatsira mwana nekukasika ini
ndokutoshaya kuti kumubatsira nei
ndikatovabvunza kwakubva
vanditambidza form. Firi ndisvite bepa riri
muchibheke changu," vakambozorora
kutaura Firi achitora bepa
randakarambidzwa ndikasaverenga
ndichiti, "bepa iri ndiro Mamoyo here?"

"Zvadaro ndabvunza kuti zvinorevei


vakandituka vachiti ndakarega mwana
achimitiswa nemurume wemunhu ane
AIDS. Ndavhundutswa nazvo
ndikazviramba asi havana kuda
kuzvibvuma vatondiona sendinonyepa
Mamoyo wacho akadaniwa asi haana
chaataura achingopfikudza chete kusvika
vamusiya ndinaye vachiti ndimunyaradze.
Vaenda ndokuzomubvunza kuti sei
anyepa kudaro ndokuti anga achingoda
mari chete ndikati heya ko pabepa
vazonyora kuti une chirwere zvafamba sei
nekuti vari kunyora vatanga vatester
munhu kuitira matsotsi anoda mari
dzemahara? Ndamubvunza atangidza
kuchema akati akazvarwa nacho ndikati
unonyepa nekuti baba vake havana
chirwere nekuti paya vakavhenekewa
ndiripo paidonater vanhu ropa. Kwakuti
ehe baba vake havana asi akachiwana
kuna mai vake nekuti vakatanga kuhura
varambwa naRabbi iye kwakuzobatawo
AIDS pakuzvarwa nekumwa mukaka
wavo. Ndatoti anonyepa akati akazvarwa
nayo nekuti Denny ndiye ega murume
waanoziva plus Denny anomupupurira
kuti ndiye akatanga kumuvhura. Handina
kumupikisa ndikati saka kushambadza
chirwere ndiko kudii zvikanzi ndanga
ndichida kungopihwa mari yekuti
nditenge chikafu chandakanzi ndidye
chine hutano huye zvakawanda zvinodiwa
kuitira kuti means asabatire chirwere.
Paadaro ndati ko mwana wangu
wawakapa chirwereke zvikanzi Denny
ndiye akazvimanikidzira kurara naye asati
amuudza chokwadi kuti hutano hwake
hwakamira sei saka sezvo anga atorara
naye nekubviswa humhandara panga
pasina reverse deal ndokuchingonyarara
huye iye nekutya kurambwa nemunhu
aive amubvisa humhandara akabva ati
inofa yakaloader."

Vakamira kutaura vachipukuta misodzi


mai ndokuzopfuurira mberi vachiti,
"ndarwadziwa zvekuti ndangosimuka
ndichimusiya ipapo ndokuuya kuno
netsoka kutokanganwa mucheka yangu."
Vapedza kutaura ndipo pandakatanga
kuverenga form riya ndokutoona zvima
signature zvaNyasha. Ndakatadza kuziva
zvekuita ndokungobva pavari ndichienda
kumota ndikaimutsa zvandisina
kunzwisisa zvekuti ndakazongonzwa yave
mhere kumasure mai vachiti, "batai
Denny," asi ndiyani aitevera munhu ane
mota. Nenguva isipo ndaive ndasvika
kwaMakuvaza ndichitsvaga Nyasha.
Handina corner yandisina kutarisa apa
kushata kwazvo kamunhu kacho kanga
kasina phone zvekuti kukatsvaga kwaive
kwakaoma kudarika kutsvaga mombe
isina bhera. Ndaona kuti ndakutsvaga uta
mugate ndakadzokera kumba nehope
yekuti anenge aveko asi anga asiko.
Kwakasvika pakuyedza asipo
ndokuendazve kwaMakuvaza
kunomutsvaga ndikazongowana kajacket
kake kaive padombo. Ndakadzokera
kumba zuva rikadoka zvakare Mamoyo
asipo ava Mai Denny BP yakwira
zvechokwadi. Kushata kwazvo Rabbi
akabva asvika pamba avigira
mwanasikana wake assignment

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/GLf0TsX56kNH
MFYyk9I3oi

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 12
Narrated

Nyasha akaramba akatsikitsira padombo


mushure mekunge azvimbirwa
nemashoko aDenny asi Denny wacho
haana kure kwaakasvika sezvo aive
akatarisa mukadzi wake nepaview mirror.
Akadzoka nemota kusvika panaNyasha
kwakumuti, "pinda mumota tinotaurira
kumba." Nyasha akaramba akanyarara
sezvo anga asina kunzwa zvaive
zvataurwa let alone kuona kuti Denny
adzoka asi Denny akafunga kuti Nyasha
amu ignore ndokutaura nehasha achiti,
"iwe Nyasha simuka ipapo!" Nyasha
ndipo paakazovhundukaa akasimudza
musoro. Achingoona Denny akasimuka
akatanga kufamba Denny akafunga kuti
ari kudanana kupinda mumota ndokuti,
"saka wanga uchida kushamisira chii?"
Nyasha haana kupindura ndokupfuurira
pamota akupinda nekanzira kanoguridzira
kuenda kumba kwaRabbi.

"Kakatsamweiko?" Akadaro Denny aona


kuti haasi Nyasha wake waanoziva
akamboda kumutevera ndokuona sekuti
akuzvidzikisira ndokugara paakazoisa
pride paside akabuda mumota akatevera
munhu wake akabva amushaya. Akapinda
mumota ndokuenda kumba kwavo
kunoudza vanhu kuti Mamoyo amuwana
izvo zvakashamisa nekufadza vamwe
kunze kwaMai Denny avo vanga
vachangodzoka kuchipatara. Mai Denny
vaitoziva kune muroora wavo sezvo
mainini vaNyasha vaive vavatsvetera kuti
vasanetseke nekumutsvaga vanaye.
Dzimwe nhema dzaive dzataurwa naMai
Denny vaive vabetserwa kuruka namainini
vaNyasha nekuti vaviri vanga vasangana
pamota dzekubva kwaMakuvaza.
Chavaida mainini vaNyasha hapana aiziva
nekuti agare kumurume vaisada ivo
kugara naye pamba pavo.

Nyasha akasvika kumba akangozvivharira


munhanga make akamirira kudzoka
kwababa vake kuti avaudze zvaive
zvaitika nekuoneswa zvekuita. Denny
akangozviudza kuti aizoenda kumba
kwaRabbi manheru kunomuudza zvaive
zvaita mwana wake. Kuchingosviba
Denny haana kumirira baba vake kuenda
kwaRabbi nekuti vaingoita zvechinono
akati anoenda ega iko zvagara Denny
nababa vake vanga
vasinganyatsopindirana asi vanhu
vaisazviona sepamba paigara vanhu
vakawanda. Vaigona kutopedza mwedzi
pasina ataura neumwe nekuda
kwezvigumbu zvavaive vakachengeterana
asi pavanhu vaiita sekuti vanowirirana
sezvo baba Denny vaitomira nemwana
wavo iyewo Denny achimira nababa vake.

Semukwasha ane tsika akasvika


nekuuchira akachonjomara pamusuwo
wemba yekubikira Rabbi akangonyumwa
kuti mukwasha wake ndokutuma Munya
kuti amuchingure ndokupinda vese
mumba. Hana yaDenny yakatanga kurova
aona mukadzi wake asimo mumba nekuti
anga akutofunga kuti kune kumwe
kwaaenda asi haana kuziva kuti Nyasha
aive azvizororera mumba yake yekurara.
Denny akatanga kutsanangura nyaya
yake kuna tezvara kubva paive pakauya
mai vake kuzomutsa Nyasha kusvika
pakuonana naNyasha masikati ezuva
iroro izvo zvakaita kuti Rabbi ashaye
zvekuita nehasha.

"Mwana wangu ave nevirus nhasi?"


Vakataura vachisimuka Denny akatoona
kuti paipa ndokusimukawo achiti, "baba
ndanga ndauya kuzokutora mukadzi
wangu," akataura achidzokera kumasure
akabatanidza maoko ake semunhu
aikumbira. "Nyasha achadzokera kumba
kwenyu kana mai vako vauya pano
kuzomukumbira nekuti ndivo vakaita kuti
asadzoke kumba." Akadaro Rabbi ari
serious zvikanzi naDenny, "ndazvinzwa
baba asi ndokumbirawo kungomuona
ndoenda handiti?" Vakabvunza
vachiswedera kwaaive akati,
"ndokumbirawo baba." Iyewo Nyasha
nemawara paakanzwa kuti kukitchen
kunenge kune nyaya akabva akabva
amuka akabuda mumba zvakaita kuti
aone Denny achiburitswa mumba
yekubikira. Nekutya baba vake vaive
vakamutarisa akadzokera mumba yake
yekurara asina kana kutaura naDenny
chero zvazvo moyo waive worwadza.
Kunyararirwa naNyasha kwakapa Denny
hasha akanonokerwa nekusvika kumba
kwavo kuti anotangidza kutaura namai
vake nekuti reaction yaRabbi yaive
yamuratidza kuti zvakaudzwa Rabbi
naNyasha nezvaaive audzwa namai vake
zvanga zvakasiyana. Akasvika mai vake
vachangoenda kunorara ndokuita
sezvavanoita zvekupinda mubedroom
make vasina kunoka iye ndokubva aita
munyama wekupinda vasati vapedza
kupfeka akadzokera panze nekukasika.
"What's wrong with you Denny?"
Akazvibvunza ave panze pakashaya
anomupindura.

"Kwakanaka kumira ipapo husiku huno?"


Vakabvunza baba vake akaramba
akanyarara seaive asina kuvanzwa
ndokubva vamusiyawo akadaro
ndokupinda mumba. "Mhai kana mapedza
kupedza huyai pano," akadaro Denny
akamira padoor zvikanzi nababa vacho,
"iwe siya mai vako vazorore." Haana
zvaakataura ndokuti, "mhai!" Havana
kumudavira ndokubva azembera door
akatarisa nguva paphone pake achiti after
two minutes ari kupinda mubedroom
imomo nekuti vanenge vapedzawo
kupfeka asi akazonzwa mutsindo wamai
vake uchifamba kuuya kudoor akafunga
kuti vakuda kubuda panze ndokuzonzwa
door rakakiiwa ndokuita zvemusimba
akarivhura achipinda mukati akasvika
baba vake vave kuwaridza pasi sezvo
paripo pavairara. Pabed vaingorara kana
Mai Denny vanorara nevazukuru vavo.
"Mamoyo makamusiirei kwaMakuvaza?"
Akabvunza achivabata mapendekete ese
zvine simba izvo zvavaive vasina
kutarisira zvakashamisa chero baba vake
vakasiya jira ravaive vakabata vachienda
pana Denny vachiti, "unoziva here kuti
ava ndimai vako?" Akapindura baba vake
neziso chete ndokuita kakuzungunutsa
mai vake achiti, "munoziva here kuti ngozi
inoripika?" Vakashaya kuti airevei
ndokubva ati, "nhasi ndinoipara ngozi
yacho kana musingade kutaura
chokwadi." Vakatanga kudedera Mai
Denny nekuyerera misodzi yechokwadi
kwete yegarwe yavaimboyeredza. Zvanga
zvavarovesa nehana zvavaive vakuitwa
nedangwe ravo nekuti hakuna mai
vaitarisira kudarwo nemwana
wekubereka. Vakatarisa maziso aDenny
aive akatsvuka neshungu achitofemereka
nehasha ndokubva vatoona kuti kutaura
chokwadi kuri nani pane kurohwa
nemwana.

"Mainini vake ndivo vakandifurira Denny,"


vakatanga kutaura vachinakurira mainini
vaNyasha nyoka mhenyu asi chokwadi
vakangochiburitsa. Chokwadi chakaita
kuti Denny azvituke nekusachengetedza
mukadzi wake akada kuenda kwaRabbi
kunokumbira ruregerero asi nguva
dzanga dzaenda akazoti anoenda zuva
rinotevera. Ramangwana racho rakasvika
Mai Denny vakamukira pamushana
vachiterera zuva rekufunga zvaive
zvaitika zuva raive rapfuura. Zvavaive
vaitwa naDenny zvakaita kuti vawedzere
kuvenga Nyasha nekuti vanga
vakutomuona seari kuda kuvapesanisa
naDenny saka vakapika kuti gore
raisapera Mamoyo ari pamba pavo. Tsoro
yavo yekutanga yakava yekuenda
kwaRabbi naDenny kunokumbira Mamoyo
ruregerero nekudzoka naye.
Vakatomukumbira zvakare adzoka pamba
pamwechete naDenny kuri kuda kuti
vanhu vafunge kuti vachinja vane
chinangwa chekuda kuzobvisa Mamoyo
pamba akavarairwa asi havana kuziva kuti
vaive vanyangira yaona nekuti Mamoyo
aive avanzwa vachitaura paphone
nemumvana wavo aive Harare.

Mamoyo nekunakirwa nekuterera nyaya


dzisiri dzake akazoti ave manheru achibva
kunobvisa hovhorosi yaDenny pawaya
akanzwa vatezvara vake vachinetsana
naMai Denny vari mumba yavo ndokuisa
nzeve pamadziro akanzwa vatezvara
vachiti, "hapana chauri kuzama Mai
Denny nekuti ikozvino Denny
haachatovimbe newe sezvaaisita."

"Hino ndoita sei?" Vakadaro nevoice


raive nekushungurudzika zvikanzi,
"usandibvunze izvozvo sezvo
uchinyatsoziva kuti Denny akanzi
asaroore."

"Baba Denny mukadaro mave


kundiomesera dai muri umwe manotaura
nambuya tovapa Ishe," vakadaro Mai
Denny ndikashaya kuti ndimbuya vepi
ivavo. "Hoo nhai vopihwa Ishe nekuti
haasi mwana wako?" Vakadaro voice rati
kwirei zvikanzi, "taurirai pasi baba Denny
madziro ane nzeve." Vairevesa Mai Denny
nekuti nzeve dzangu dzaitove pamadziro.

"Kutaurira pasi kwei iwe usina zvauri


kuita samai vake!" Vakadaro baba
zvikanzi, "hezvo zvino ndorara naye
Denny kuti asagare nemukadzi here?"

"Ita zvinoita kuti asagare nemukadzi


nekuti ndeneta nekunetswa nembuya
iya..."

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/LlH396XlWs3L
XnwCuA3cXj

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 13

Unedited

Nyasha

Ndakazobva paberevere ndadanwa


naDenny. "Wanga uchitora hovhorosi
chete kana kuti kune kumwe kwawanga
waenda?" Akabvunza Denny achindibata
muwaist ndikati, "ndanga ndakamira
pamadziro," ndakapindura ndakamutarisa
akaseka achiti, "madziro ani?"
Ndakabviswa maoko ake pawaist pangu
ndikamuti, "ebedroom yamai vako."

"Wanzwei?" Akabvunza achindidhonzera


paari. Aitoda zvekutamba neni asingaone
kuti ndiri serious ndikati,"handina
kumbozvinzwisisa ini but vanga
vachinetsana vachiti..." Ndakabva
ndatanga kutsanangurira Denny zvese
zvandaive ndavanzwa vachitaura
ndapedza akati, "let this stay between us
right."
"Ko mbuya vacho vanozonetsera kugara
newe kuti uchiri mwana mudiki here?
Ndotoona sekuti zvanga zvichitaura
mama zvekuti Ishe atorwe nambuya
vacho zviri nani handi achiri mudiki?" I
suggested that zvikanzi naDenny,
"haungambozvinzwisise Mamoyo." He
was right nekuti ndaitotadza
kuzvinzwisisa zvekuti Denny aidiwa
nambuya vake zvaimutadzisa sei kugara
nemukadzi. Nyaya dzacho dzaive
confusing zvekuti ndakasvika pakubatwa
nehope ndichizama kubatanidza
zvairehwa nemurume nemukadzi.
Ndakapatika pakati pehusiku nzara
yandibata. Ndakamboda kumboshingirira
semunhu aive ambodya kusvika Denny
anditi, "Mamoyo chii chiri kunetsa?"
Ndakamboita kakuvhunduka
paakabvunza nekuti ndaifunga kuti
akakotsira.

"Ndine nzara ini," ndakataura nekavoice


kaiyemerera zvikanzi, "Mamoyo veduwe
chingoshinga kuedze ahh," akadaro
achizvivhara musoro wake ndikati, "saka
wanga wandivhunzirei?" Ndakadaro
ndichimufugura akawaranyura machira
nehasha. Denny aikoshesa kurara zvekuti
aisa kukanganiswa asika apa ndiye aive
atanga kundibvunza.

"Ndichakurova iwe!" Akataura achiburuka


pabed ndokunditi, "hande kukitchen."
Ndakamuka ndikapfeka ndakanyarara
zvikanzi, "uudze kamwana kako kuti
zvekumutswa handide!" Aipopota
tichienda kukitchen Denny ndikamuti,
"kamwana kangu ndega here?"

"Ndiwe uri kukayemedza unoti dai kari


mudumbu mangu kaiita mawara,"
ndakaseka adaro tichipinda mukitchen.
Akatanga kubatanidza huni sezvo
marasha anga agara aripo you know moto
yekumusha haidzime. Hauna kunonoka
kubvira akaisa kapoto kesadza. Ndiye
aive akutoita zvekubika sezvo aiti ndiri
slow. Sadza paraive rakukwata akashaya
kamugoti kaienderana nepoto diki
ndokunotarisa pachitara chekusukira
panze sezvo vaive Mai Firi vaive vasuka
manheru acho. Vaitove neweakness
yekusapinza ndiro mumba vapedza
kusuka and no matter how many times
pavaitsiurwa navamwene nenyaya iyoyo
vaisambonzwa.
"Gonzo!" Ndakascreamer ndaona gonzo
mukitchen apa richida kutonyeura
chigunwe changu. Iro gonzo racho
kuzoita stubborn kana kumbonditiza ini
nekuritya ndokubva ndabvisa poto yaive
pamoto ndokuridira maporridge aikwata
ndikapindirwa naDenny ndichidaro.
"Wakakwana chaizvo iwe?" Akabvunza
achitora poto ndikati, "gonzo Denny!"
Ndakataura ndichirinongedzera
paraidzedzereka richibuda mukitchen.
"Gonzo rinouraya here?" Handina
kumupindura paakadaro ndokubva
atanga kumona sadza achiti, "ukasaguta
zvave zvako ini handichazvipindire."
Ndakaramba ndakanyarara ndichiterera
hana yangu yairova fast nekuda
kwegonzo. Denny apedza kubika
akandipakurira sadza nemukaka ndokuti
ndonodyira kubedroom ndokubva tabuda
mukitchen.

"Pane chandatsika kani Denny!"


Ndakadaro ndichiita kakujamba akatocha
pasi ndokuona igonzo riya. Kuritsika
kwandaive ndariita kwakaita kuti risvuuke
ndikadzoka ndorinzwira tsitsi futi.
"Chingotora dombo iro uri pedzise
zvako," akadaro Denny achinongedzera
dombo asi gonzo racho rakaita
seranyumwa ndokutiza nehupenyu hwaro
isuwo ndokuzopinda mubedroom.
Ndakadya chidhinha chaive chabikwa
naDenny ndikakasira kuzvimbirwa. Ndaiti
zvandadya ndochirara madzikirira akati,
"Mamoyo hauna kungwara." Akaita
kunditsikirira zvekuti dai pasina kuti
ndaive naDenny paside
akandizungunutsa ndikamuka ndaigona
kutofira kuhope.

"Chii Mamoyo?" Akabvunza Denny


achipukuta ziya randaibuda. "Ndarota
ndichirohwa nemakonzo." It sounded
weird but ndizvoka zvacho zvandaive
ndarota kusvika pakubatwa nemadzikirira.
"Ndiwe uri kufunga gonzo riya. Tora
maearphone ayo uone movie one
zvegonzo zvimbobuda mumusoro."
Akadaro achinditambidza phone yake
ndokutanga kuona movie kusvike ripere
around 3am ndokubva ndachirara asi
kungovhara maziso ndaingoona makonzo
kusvika ndatora phone yaDenny ndikaona
rimwe movie till 5am zvakatoshamisa
Denny paakamuka kuti ndichakasvinura.
"Wazototadza kurara?" Ndakagutsirira
musoro ndichibva pabed ndakutoda
kunotsvaira pachivanze apo
pandakawana Mai Denny vakutoworera
marara vapedza kutsvaira. "Mamuka sei?"
Ndakavakwazisa ndichienda kukitchen
zvikanzi, "ndamuka zvakanaka marara
henyu zvakanaka VaMamoyo," vakadaro
Mai Denny zvikatondishamisa for a
moment ndokuzorangarira kuti vanga vari
pamission yavo. Kamubvunzo kavo kekuti
ndarara zvakanaka kakandityora zvekuti
dai vairoya ndaigona kufunga kuti ndivo
vaitumira makonzo kuhope. Mai Firi
vakabva vamukawo ndikanzwa
zvakunetsana nenyaya yemandiro.

"Ndizvo zvinonetsa kupihwa varoora


chembere. Mai Firi une mukonyo hameno
kuti zvawakaona uri mukuru kuna Donny
wakufunga kuti wakaenzana neni woita
zvaunoda pano pamba. Mamoyo mwana
zvake asi anoterera wakambondiona
ndichimuudza zvinhu kaviri?" Vakadaro
Mai Denny nechemumoyo ndikati,
"ndakazviona mhani kuti Mai Firi
vahombe kuna bamunini."

"Zvekukura kwangu zvine basa?"


Vakadavira Mai Firi zvikanzi, "ndizvo
zvinokupa mukonyo izvezvi baba Firi
anotonyara kugara newe kutown nekuda
kwekuti wachembera."

"Akadii kundinyara paaindipfimba


ipapo?" Vakabvunza voice rati kwirei
zvikanzi, "hurii seka zvako mwana
wemuyera shumba." Vakaseka
vachirovanisa maoko avo Mai Firi vakati,
"chinosekesa chii?"

"Kuti Donny akakupfimba, wakanganwa


kuti waisabva pano zvemabhanzi zvako
uchimunyengerera kuti atenge kuita
seuchamubvisira hembe," vaitaura
zvekusvotesa Mai Firi avo vakazoti, "ini
handizi Mamoyo anokutyai
ndokukwapaidzai. Maita rombo rakanaka
kuti nhasi isvondo ndiri kuda kuenda
kuchurch handide zvekubviswa pana
Mwari." Vadaro vakabva vatora bucket
ravo vakananga kumogodhi. Pamba pana
Denny paive pakanakira kuti mvura
yaivepo tanga tisina pressure yekuenda
kutsime kana chibhorani. Mugodhi iwowo
ndaive ndakambomutukirwa naMai Denny
zvichinzi ndiwo wandakachiva ndikada
Denny. Tell me honestly ndiyani agadira
mukomana nekuda kwekuti pamba pavo
pane mugodhi? However pamba pana
Denny panga pakanaka muvillage mose
nekuda kwaDenny aive
aparenovater.Paive pakanaka zvekuti
vegodo vaitoti vakaromba chete worse
nemombe dzavo dzaive dzakawanda
kuzoti gohwo taisataura.

Sezvineiwo tese takagadzirira kuenda


kuchurch kunze kwababa vainzi havasi
kunzwa zvakanaka. It was my first time
kuenda kuchurch ndiri kumba kwana
Denny so sekuziva kwenyu pakaita
controversy panyaya yefront seat pakati
pangu naMai Denny.
"Ini handingambogare kumasure uniform
yangu inoita dust," vakadaro Mai Denny
vachizunza zunza skirt yavo yaive
yakazvichenera. Yanga isitorina basa
chero ikaenda dust nekuti hapana airiona
you know mauniform eRoma zvaari.

"One achagara pakuenda umwe


pakudzoka," akadaro Denny achipinda
mumota ndokubva ndanogara nevamwe
kumasure. "Mamoyo unoijaidza mbuya
iyi," ndiMai Tara. Mai Denny vakaseka
zviya zvekutiratidza kuti hapana
zvataivaita. Takatosvika nguva dzichiripo
ndikaita setyoka mabvi nekutyora muzura
kuvanhu vandairatidzwa zvichinzi uyu
ndinhingi nhingi uyu mukadzi waDenny
Mamoyo. Takazopinda muchurch tikaita
service ichingopera Denny akanditora
ndokubva taenda kumba. Aiti anoda
kumbobuda neni saka ndakatononokerwa
nekusvika kumba ndichichinja sezvo
kumafaro kwataienda kwaisaita neformal
yekuchurch.

Pakusvika takabva tasanganidzana


nababa vachibva kutoilet vakasvuuka
face yese nemaoko nemakumbo zvinoita
munhu atsva nemvura. Denny akatora
nguva akavatarisa ndokuti, "matsva nei?"

Havana kumupindura ndokubva abvunza


zvakare kuti, "maita sei?"

"Ndakatsva madeko," pavakadaro


takangosiyana navo though tese taiziva
kuti vanga vasina kutsva manheru.
Takapinda mukitchen ndokuona muri
zvatamusiya muri Moto usina kubatidzwa.
"Vatsva nei nhai Denny?" Ndakabvu
Denny uyo aipinda mukitchen akati,
"handi ndiwe wakavapisa nemaporridge."

End of chapter
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 14
Unedited

Nyasha

Ndakadonhedza cup yaMai Denny


ndanzwa akuti ndini ndakapisa baba vake.
"Baba vako igonzo here?" Ndakabvunza
ndichinhonga cup yaive yapaduka paside.
"Vachakunzwa uchidaro," akadaro
achitarisa tarisa panze ndokubva
ndamuti, "kasi vanoroya?" Haana kuda
kundipindura ndokubuda mukitchen
achienda kubedroom. Pandakaona
vatezvara vachiuya kukitchen ndakasiya
zvandaiita ndokubva ndatevera Denny
faster faster uyo aive akubvisa hembe
dzekuchurch. Ndakapfeka tikabuda tese
takananga kwaNyika uko kwaive
nebirthday remukadzi weshamwari
yaDenny. Vanhu vaifara zvavo asi ini
pfungwa dzaipota dzichidzoka kumba
ndototi, "saka baba Denny vanoroya? Iye
Denny wacho anotozviziva?"

"Denny akatozviona kuti mufaro wangu


mushoma akakasira kuoneka.
Tichingopinda mumota ndakabva ndati,
"saka waizviziva kuti baba vako
vanoroya?" Akaseka ndokubva anditarisa
akati, "zvekuti vanoroya ndiri kutozvinzwa
newe and zvekutsva kwavo zviri pachena
kuti vaive vashanduka kuita gonzo. Dai
vakatsva manheru sekutaura kwavo
havaimbomuka vakasvuuka muviri
kudaro you know munhu atsva
anotomboita maduzu maduzu then
ozosvuuka but gonzo riya rakasvuuka
pawakaritsika. Only the heavens knows
why vakaita gonzo zvekuti vanoroya
handizvizive."

"Vanoroya chete unoziva pataigara


kuHarare Grace akambotema kiti manheru
mbuya vepanext vakatomuka
vachimubvunza kuti akavatema
vakamutadzirei iye kutoramba kuti haana
kuvatema manheru akangotema kiti.
Vakuru ndipo pavakatozotiudza kuti ndivo
vaive kiti. Mbuya ivavo vairoya zvekuti
hameni and vanhu vanoroya
vanoshandisa mhuka you know?"
Ndakadaro kuna Denny zvikanzi, "kutown
kutori nevaroyi?"
"Hauna chaunoziva iwe Denny hakuna
nzvimbo isina varoyi but handina
kumbofunga kuti ndingagara nemuroyi,"
Denny haana kundipindura aisa
concentration paview mirror. Akamisa
mota ndokubva ndacheuka ndikaona
musikana aimhanyira mota achindidana.
"Unomuziva here?" Akabvunza Denny
achienda paside peroad ndikati, "umm
handina wandoziva kuno." Paakazosvika
padhuze ndipo pandakazoona ari Grace
ndikavhura door remota ndokubuda
ndichimumhanyira. Anga ari mwana
wamai vangu mukuru. Pakashaika mama
anga ane 19 years ari kutraining
yechipurisa tikapedzisira kuonana
panhamo. Iye paakapedza kunyora o level
akabva pamba nekuti anga asingawirirane
namama nekuda kwemabasa avo saka
aive akuwandira kuhama dzababa vake.

"Nhaiwe uri kuitei kuno?"


Ndakamubvunza zvikanzi,
"ndokwandakushanda." Akapindura
achifemereka ndikati, "wakazowana
basa?" Akagutsirira musoro ndokunditi,
"ko uri kudei mumota yababa vese ava?"
It was clear to me kuti nyaya yekuroorwa
kwangu anga asina kuinzwa saka
ndakabva ndamuti, "ndakaroorwa."
Akatarisa Denny akaratidza kukanuka
though asina kuzotaura kuti murume uyu
akakura. Akachinja nyaya achiti ndakaona
baba vako nezuro ndikatotaura navo
ndichiti ndiri kuda kuzokuona
vakatondipa number dzavo dzephone
though vasina kumbotaura zvekuti
wakaroorwa." Ndisati ndamupindura
Denny akabva atanga kutaura namaiguru
vake achiti tiende navo kumba. Tanga
tave netime yes tisina kuonana naGrace
asi kuenda naye kumba ndakaona iri bad
idea sezvo zvaizokonzeresa maproblem
naMai Denny vakutoti ndakuda kuzadza
musha wese nehama dzangu. Luck
enough Denny akatenga grocery tiri
panyika saka tichisvika kumba Mai Denny
pavakaona mumota muchiburuka
mupurisa vakatokasira kubvunza kuti,
"kwakanaka here kwamakuuya neZRP
pano?"

"Kwakanaka mama ndisisi vaNyasha ava


vatishanyira," akadavira Denny achibvisa
mapaperbag mumota saka Mai Denny
vakangoti muenzi ndiye avavigira chikafu.
"Ko matitiza kuchurch wani bamukuru?"
Mai Tara vakabvunza zvikanzi naDenny,
"kana mainini tanga tichimhanyira
kunogamuchira maiguru pabhazi kuno
vanga vasingakuzive." Ndakaenda
kutoilet ndikavasiya vachitaura nemuenzi
ndiye dhumha dhumha nababa Denny
vachibvako that too vakapfeka mapushi
angu. Ndakavanzwira hasha ndatarisa
zitsoka ravo richidhambisa mapushi
angu. "Maswera here VaMamoyo?"
Vakandisweresa vakafara sezvaiita
mazuva ese ndikati, "ndaswera kana
maswerawo." Ndakadavira ndiri serious
zvikanzi, "mira ndibvise shangu dzako."
Vakataura vachibatira pashoulder rangu
ndikashaya kuti kurwadziwa nemavanga
ekutsva kana kuti pane chaive
chavapinda. Before I could react Denny
alabv asvika patiri achiti, "chii chiri kuitika
pano?" Baba vacho vakangozhinya
vachikurura mapushi angu.

"Uite mushe iwe!" Akandidaro Denny


achindijunga junga nechigunwe pahuma
ndikati, "hezvo ndaita sei?" Ndakataura
nehasha semunhu aive atsamwawo.
"Wakupfekedza navatezvara
muchizemberana?"

"Ndapfekedzana navo kupi kana kuti


ndatowanawo baba vako vakapfeka
mapushi angu," ndakapindura
ndichifamba ndokubva andidhonzera
paari achiti, "ko zvekuzemberana zvabva
nepi?"
"Utaure zvaunoziva ndambozembera baba
vako ini?" Haana kuzondipundura
akandisiya akuenda kuna baba ini
ndokupinda mutoilet. Handina
kutombomiramo ndamuda ndichirutsa
panze. Manga mandinhuhwira
zvakanyanya kwete kunhuhwa tsvina
yemunhu sezvo baba vanga
vachangobuda asi kutonhuhwa chinhu
chakaora. Grace akauya andiona
ndichirutsa akandibata bata musana
zvikanzi, "chii chiri kunhuhwa pano?"
Akadaro achindisiya achienda mutoilet
maive anzwa smell yacho.

"Uri kuda kuinvestigator kuti smell


yabvepi?" I said jokingly zvikanzi, "iwe
kwana." After fifteen seconds or so I
heard her screaming loud, ndisati
ndabvunza ndakamuona achibudamo
achibondera pamadziro phone yake
ichiwira kwakadaro muridzi kwakadaro.
Denny anzwa noise ndipo paakauya
achimhanya in fact musha wese. "Chii
chiri kumbonhuhwa pano?" Denny
akavhunza achifemba femba mumhepo
nechemumoyo ndikati, "wakuzvinzwa
ikozvino?"

"Hanzi nababa mune katsi yakawiramo,"


vakadavira Mai Tara zvikanzi naDenny,
"ko vakadii kuibvisa pavakaiona
ichiwiramo zvino tinopona here nehwema
ihwohwo."

"Kuti ikatsi ingabva yafendesa Grace,"


vakadaro Mai Firi vachinhonga phone
yaGrace ndokubva vatizve, "ane zvaaona
uyu anga akabatidza torch." For sure
torch yephone yanga yakalighter. Denny
akatorera Mai Firi ndokubva apinda
mutoilet vamwe vachibetserana kutakura
Grace kuenda naye mumba. "Muneiko
nhai Denny?" Vakabvunza Mai vacho
vachipindamo ndokubva ndateverawo
ndakabata mweya wangu kuti ndisanzwe
smell yemutoilet macho. Mai Denny
ndaisambovatemba kuvasiya vari mutoilet
vega naDenny.

"Handisi kunyatsoona," akadaro Denny


akavhara muromo zvikanzi naMai vake,
"ita zvekupfugama" Akaita sekudaro
ndokuzonzwa murume mukuru akuti,
"mhai!" Akasimuka fast achidonhedzera
phone yaGrace mukati. Nekuda kwekuti
mugomba manga mave nelight rephone
naMai Denny takakwanisa kudongorera
asi ini ndakangoona kagumbo kemwana
Mai Denny vakandidhonzera panze. Ipapo
pfungwa dzangu dzakangomhanyira
kufunga kuti baba Denny vanoziva
nezvekamwana kaive mutoilet sezvo
vanga vari prime suspect panyaya
dzakadaro. Ndakaona Denny
ovandundurudza achiuya navo kutoilet
vachingoti, "ndaita sei nhai Dennis?"

"Kasvava kari mutoilet kabvepi?" Ndizvo


zvaingobvunza Denny uyo akazobatwa
naGrace uyo akati, "vanozivei ava didn't
you see kuti inhumbu yabviswa iyo kiti iri
paside ndiyo itori nemakonye." Ndakaona
vanhu vakudzokera kunonyatsotarisa kuti
vaonei.
End of chapter

*To be on sale from 20.* 200RTGS or R50


asi kune vachatenga book before chapter
20 mosender 150RTGS or R30

*How to subscribe*
Ecocash
0788357900 R.Mbombi

*Buddie airtime*
0788357900
*NB* vane ecocash please isai cash
airtime toitira vasina ecocash kwete
kuzoisa airtime through ecocash please.
Vari kuSA munogona kusender airtime
through Mukuru.

*Price yeecocash neairtime yakafanana*

*Cell C airtime*
Mosender kaslip pa 0788357900 vanoda
kuisa direct moisa pa +27628789728

After payment mosender proof


pa0788357900 moiswa musubgrp
muchauya book everyday at 6pm.

Thank you in advance


https://chat.whatsapp.com/K3PEHG59gTG
Aug0azvU7kV

*_Vanoda Mamoyo from 1 to 15 pindai


umu_*

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 15
Nyasha

Nyasha ndiye ega aive nenhumbu


yaizivikanwa pamba uye yake yanga ichiri
dikisa zvekuti pakashaya chero akada
kupomera Nyasha nezvekubvisa nhumbu.
Chero Denny aizviti samusha akashaya
wekunanga ndokuzoti, "ndiyani abvisa
nhumbu?" Hapana akapindura Grace
akanditora tikaenda kubedroom. Ndaive
ndakutoita semurwere nenguva diki diki.
"Murume wamainini vako vadhafu aripi?"
Akabvunza Grace ndikamutarisa neziso
rekuti mind your business sister.
"Pindura kwete kungonditarisa kudaro,"
akataura achindirova pagumbo ndikati,
"ari kuShurugwi kubasa."

"Akabva kuno rini?" Kutobvunza ari


serious Grace ndikati, "kwakanaka here
vakoma?" Ipapo akasimuka akanovhara
door zvikanzi, "Mai Tara vako ndivo
vabvisa nhumbu Nyasha, wamboona
kastep kavo plus pabvunzwa kuti chii
chiri kunhuhwa vamhanyira kutaura kuti
kiti."

"Umm wazvinzwa sei iwe wanga


wafenda?" Ndakabvunza akati, "kufenda
unokuziva here iwe ndanga
ndangodonha. Pandaendeswa mukitchen
paya ndavaona vachiyerera ropa ndikaita
sendina kuzviona ndikazoona munhu
akupukuta nechikorobho, pano pamba
muchadyiswa tsvina chete," akadaro
ndikati, "iwe watanga nhumbu yacho
yaive payi yataisaona?"

"Iwe maybe hamuna kuzviona nekuti Mai


Tara vagara vakasimba. Pavapukuta ropa
riya ndavatarisa ndikaona vakupinda
mubedroom mavo vakabuda vakaputira
zvimwe zvinhu zvavanokanda mugomba
remarara ndipo pandazobuda mukitchen
and vaita kakuvhunduka pavandiona
vachibva kugomba iroro." Ndisati
ndapindura Grace ndakanzwa Denny
achiti, "kana pasina ari kuda kutaura
chokwadi ndakuenda kumapurisa nekuti
handide ngozi pano!" Nekuda nyaya
takabuda panze ndokusvikira Mai Tara
vachiti, "musaende kumapurisa
bamukuru ndini ndabvisa nhumbu."
Vakataura vachiburitsa misodzi
ndikatonzwawo tsitsi. Vakagara pasi Mai
Tara vakatanga kuhwihwidza zvikanzi
naMai Denny, "ngatipendei mumba."
Takapinda tese mukitchen Mai Tara
vakasimudzira mberi nekuchema.

Pavaibvunzwa kuti vabvisirei nhumbu


vaingosimudza mapendekete voti,
"zvakaoma." It was quite obvious kuti
nhumbu yanga isiri yemurume wavo. Mai
Denny vakamboita hasha
vakavanyengerera kuti vataure kuti
inhumbu yani yaive yabviswa asi
zvakashaya basa kusvika vanhu
vambosendeka nyaya yenhumbu takuita
zvekubika sezvo tanga tatononotswa
kubika. Tichibika Denny nababa vake
vaive kutoilet vachizama kuburitsa
chimwana chiya nekatsi. Vakakwanisa
kutora nephone yaGrace nekuti
ndakazonzwa Denny akuti kuna Fungai,
"mupfanha cleaner phone iyi ndokuona."
Akaita sekudaro Fungai in no time phone
yanga yave smart asi ini ndaizviudza kuti
dai iri yangu ndaisagamuchira. Kamwana
kaive kabviswa mutoilet hameno
kwakaive kafushirwawo.

"Mamoyo!" Ndakanzwa Denny


akundidana panze ndokuenda ndisina
kudavira zvangu. "Ndiri kuda kugezaka,"
akadaro ndasvika paari ndikati, "kugeza
kana kugezeswa?"

"Ita mushe iwe ndiendeserewo mvura


kubathroom nditori neheadache right
now," akataura ari low low ndokubva
ndatonotora mvura yaipisa iri paside
pemoto yaMai Denny kuri kuda kutsvaga
kutukwa. "Unomuoona mwana wamai
vako ha..." Hameno zvavakasara
vachiudza Grace ndaendesera Denny
mvura ndikati ndezvavo. Ndaisira Denny
ndakachera imwe ndikadzosera pamoto
ndikawana Mai Firi vapedza kupakura.
Vaive nemufaro wakati pfurikidzei nekuti
vaiita seagent yaSatani yaifadzwa
nekuona umwe munhu
achishungurudzwa.

"Mamoyo enda unopa baba sadza ravo,"


vakadaro Mai Firi ndikashaya kuti
ndoramba sei. Ndaisada kuona baba
Denny pasina vanhu nekuti vaive
vakundiitira hunhu husinganzwisisike.
Kumboita gonzo, kupfeka mapushi angu
and so on zvaisakodzera kuitwa
natezvara. "Mamoyo haunzwe here?"
Vakadaro Mai Firi voice riri pamusoro
zvekuda kutondiona semwana wavo.

"Zvakatanga rini izvozvo?"


Ndakavabvunza ndichigara paside naGire.
"Mhai munomuona muroora wenyu
wamunoti anoterera?" Vakadaro Mai Firi
ndokubva ini ndati, "vari kutondiona
mainini handiti munhu abika ndiye
anoserver here izvi zvekuda kutumana
zvabva nepi?" Havana kundipindura
vakangosimuka vachitora ndiro yababa
nedish vakaenda nazvo. Mai Denny
naGrace ndivo vaiita nyaya dzisingapere
zvekuti ndakatoshaya kuti connection
yacho naMai Denny yabva nepi.
Mai Firi vadzoka ndakaendesera Denny
chikafu kubedroom ndikawana asiko
ndikangofunga kuti achiri kugeza
ndakuda kubuda mubedroom ndikanzwa
voice rake kuseri kwemba. "Baba
ndikafonera baba Tara ndikamuudza zviri
kuno musha uno unoparara saka
chingotaura chokwadi."

"Chokwadi cheiko nhai Denny?"


Vakabvunza baba Denny nevoice rakazara
kushungurudzika zvikanzi naDenny, "muri
kuziva zvandiri kutaura nhumbu yabviswa
naMai Tara ndeyani?" Nechemumoyo
ndakati Denny anoda kungonetsawo
chokwadi baba vake vaikwana papi
panhumbu yemurora.

"Hezvo Dennis unondishura chete ini


ndigoziva nezvenhumbu yake ndorara
naye here?" Vakadaro baba zvikanzi,
"chinokutadzisai chii? Hamusi murume?"
Ndakapererwa nemibvunzo yaDenny baba
vacho vakati, "wakunyanya kundijairira
manje usakanganwe kuti ndiri baba
vako?" Ndakanzwa Denny achiseka
zvekupererwa zvikanzi, "kana muchiita
zvinoita kuti mujairirwe ndokuremekedzai
sei? Hamusati masiya katsika kenyu
kekuteverera varoora and ndakuonai
zvamanga muchida kuita pana Mamoyo
kave kekutanga nekupedzisira kutamba
naye muchidaro haasi muramu wenyu
manzwa?"

"Uri kutaura nyaya nganiko iwe? Ukati


zvenhumbu woti zvaMamoyo? Why
uchingondifungira pazvinhu zvese
zvese?" Vakabvunza baba Denny akati,
"handisi kukufungirai asi kuti ndoziva
hunhu hwenyu in and out."

"Izvo zvave zvakowo?" Vakadaro


ndikanzwa vakufamba baba zvikanzi,
"mukada kubatwa nepfungwa yekuita
Mamoyo zvamakaita Mai Ishe ndokuvigai
muri mupenyu rakacheka nyika baba imi."

"Ndati ita zvawada mhani!" Vakadaro


voice riri pamusoro zvikanzi naDenny,
"hazvina kushata baba ndakuudza baba
Tara zviri kuno handiti munomuziva?"

"Kumuudza kuti chii?" Vakabvunza


vamira zvikanzi, "kuti makamitisa
mukadzi wake mukamubvisisa nhumbu?"
Ndakashamiswa nazvo ndikada kuti, "nhai
Denny wakakwana?" Ndokuzorangarira
kuti ndaiterera nyaya dzisiri dzangu.
"Unondishura chete mwana iwe regai mai
vangu vakati hausi mbeu yekwaMhangu.
Hausvode kutaura mashoko asina hunhu
kudaro?"

"Dai musina kurara naMai Ishe pamwe


ndingadai ndisingazvitaure," akadaro
Denny ndikabata muromo zvikanzi, "iwe
kwana ndakamborara nemukadzi was
here kana kuti zvakaitika musi uya
zvakaitika nekuda kwedoro iwe
wakungoramba uchiti takarasima nekuti
ndakarara nemukadzi wako zviri pai
chaizvo?" Ndaive ndaita mucheche
pamashoko aitaurwa naDenny nababa
vake. Ndakavasiya vachinetsana kudaro
ndikaenda kukitchen kunodya nevamwe.
Sadza racho harina kumbopinda
zvakanaka hurukuro yana Denny ichiita
maungira munzeve dzangu.

Vanhu havana kutandara semazuva ese


saka ndichipedza kusuka mandiro umwe
neumwe akangoenda kwaairara Grace
akanzi arare naMai Tara. As if drama
rezuva rovira was not enough around
11pm takanzwa noise madoor achirohwa
rohwa.

"Oh no!" Denny akadaro achimuka


ndikati, "uri kuendepi? Unorohwa
nembava uko hapasi pese panoda kuitwa
chigandanga."

"Iwe Mamoyo unotaurisawo, chigandanga


chipi chandinoitira baba Tara hausi
kunzwa kuti ndiye ari kuita noise?"
Ndairizivira kupi voice rababa Tara
sendaive ndambovaona kana kutaura
navo?

"Wazovafonera?" Ndakabvunza Denny


ndichimuka zvikanzi, "ndambokuudza kuti
ndoda kuvafonera?"

"Ko ukapindura zvakanaka unofa here


nhai Dennis?" Ndakabvunza zvikanzi,
"ndibvire uko dai uri umwe wazvirarira,
unopinza mwana nechando nekuda
nyaya."

"Mwana upi?" Ndakabvunza


akasapindura akumhanyira panze after
tanzwa mhere yaMai Tara naGrace.
Kubuda panze kuda wanei denga riri
kubvira baba Tara vacho vachiti, "uri
kutsviramo ukasataura kuti wakamitiswa
nani!" Ndakavahwira hasha dzisingaite
ndafunga kuti Grace asina mhosva
aivemowo mukati.

"Iwe Mai Firi ndambokuudza kuti


usamufonere chiona zvakuitika manje!"
Vakadaro Mai Denny vachirova rova Mai
Firi. Baba Tara vacho vaitove
nemangoromera kubatidza berevere rese
kuri kuda kuti munhu ataure chokwadi.

"Chivhura nditaure kani!" Vakadaro Mai


Tara zvikanzi, "tanga wataura ndokuti
ndivhure!" Denny akataimira achipopota
nhemha kwakumusundira kure
achimubvisa padoor kwakutanga kukava
door asi rakaramba kuvhurika kusvika
Fungai amhanya nedemo vakaita
zvekurova mapuranga edoor vakaita
zvekupoya. Mai Tara vakadonha pasi
vachangobuda mumba murume wavo
akati aenda pavari akabata demo riya
raive ravhuriswa door.

"Rovai ini mukoma ndini ndakamitisa


maiguru," akadaro Fungai ndikapera
simba kuti tsvai.

End of chapter

*To be on sale from 20.* 200RTGS or R50


asi kune vachatenga book before chapter
20 mosender 150RTGS or R30

*How to subscribe*
Ecocash
0788357900 R.Mbombi

*Buddie airtime*
0788357900
*NB* vane ecocash please isai cash
airtime toitira vasina ecocash kwete
kuzoisa airtime through ecocash please.
Vari kuSA munogona kusender airtime
through Mukuru.

*Price yeecocash neairtime yakafanana*

*Cell C airtime*
Mosender kaslip pa 0788357900 vanoda
kuisa direct moisa pa +27628789728
After payment mosender proof
pa0788357900 moiswa musubgrp
muchauya book everyday at 6pm.

Thank you in advance


https://chat.whatsapp.com/Bub8rtaRXon7
kvpKbPJxCS

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 16

Narrated

Baba Tara vanzwa mashoko emunin'ina


wavo vakadonhedza demo nekupererwa
ndokufamba zvishoma nezvishoma
vachienda kuna Fungai uyo akaramba
akamira nekuziva kuti hapana zvaizoitwa
vanhu vakatarisa. Mai Tara vakaramba
vakarara pasi nenyadzi uyuwo Grace
achitariswa naNyasha paive atsva
paruoko.
"Dzokorora zvawataura," vakadaro baba
Tara vamira pamberi paFungai iye
ndokubva afamba achienda kuna Mai Tara
achida kuona kuti vari sei. Akavabatsira
kumuka akanovagarisa padoor rekitchen
ndokubata nevamwe kudzimura moto
chero zvinhu zvaive mumba zvanga
zvakutsva. Zvekudzima moto zvichipera
baba Tara vakabva vasimudzira nyaya
yavo. Fungai akakaruka abatwa akarivara
akanzi, "saka mupfanha unoreva kuti
kachinhu kako aka ndiko kakanhumburisa
mukadzi wangu?" Akabvunza achibvisa
kashort kaFungai ako kakadonha kusvika
kumakumbo akasara ari musvo sezvo
aive akangopfeka kashort semunhu anga
angomukawo paakanzwa noise. Pane kuti
asimudze kashort kaive kadonha
akamhanyira kuvhara nhengo yake.
"Kwana iwe!" NdiDenny akadaro kune
mukadzi wake uyu aiseka akatarisa
mumvuri waFungai. "Ndaita sei?"
Akabvunza akabvunza akutarisa kuna
Fungai wacho ane shuviro yekuti abvise
ruoko paprivate aonewo chinhu chidiki
chaive charehwa. Sezveneiwo chishuvo
chake chakabva chazadziswa Fungai
paakazokotama achinhonga kashort. "Haa
ndachi..." Haana kuzopedzisa kutaura
Mamoyo arangarira kuti ari pavanhu.
"Sorry," akadaro kuna Grace
akamutsunya achimuzevezera kuti,
"dzikama iwe." Akaita seadzikama
ndokugara paside naMai Tara asi pasina
kana nguva akabva ati kuna Mai Tara,
"makatoita zvisina basa naFungai
mainini?" Vasati vapindura akakaruka
abatwa nesetwa semunhu aizama
kupicture Fungai ari pamusoro pegiant.
Mai Tara simba rekupindura rakabva
ratopera nekusekwa naMamoyo.

"Mainini pana Fungai makashaya moziva


kuchikoro akamboitira tsvina musink
achida kukaurisa vanhu vaisuka matoilet.
Munhu akadaro mobva matorara naye
mainini futi," akashora mainini vake
zvikanzwikwa naFungai uyo akati, "iwe
Mamoyo ndini ndakama**ra musink here
kana kuti ndivana Jim?"

"Izvo zvekuitira tsvina musink hazvina


kana basa mozotaura mave mega ini ndiri
kuda kuziva kuti wakararirei nemukadzi
wangu?" Vakadaro baba Tara zvikanzi,
"imi maivepi gore rese?" Ranga rave gore
zvechokwadi baba Tara vasina kudzoka
kumusha. "Nhaiwe Fungai haunyarare
kana waita mhosva?" Vakadaro Mai vacho
zvikanzi naFungai, "handiti andibvunza
kuti ndairarirei nemukadzi wake." Vamwe
pavaiita makakatanwa Denny akatora
baba vake akaenda navo kumota yake.

"Why muchida kushandisa mwana


kuvhara hunzenza hwenyu?" Denny
akabvunza akatsamwa zvekuti baba
vacho vakatonzwa nemafemero ake kuti
vakaita zvekutamba vanoputitsirwa
mumota ndokubva vamuti,
"wakuzondijairira manje ziva kuti mwana
pakati pedu ndiyani. Ukaramba uchifarisa
ndokuitira zvinhu zvekuti unofa usingade
kundiona iwe." Mashoko avo haana
kuvhundutsa Denny nekuti akaramba
akasimba pamubvunzo wake, "ndati
maudzei mwana chaita kuti atore mhosva
isiri yake?"

"Vhura chimota chako ndibude


wakutondisvota manje," vakadaro
vachirova rova door Denny akaramba ari
serious asi akazokasira kukiyinura mota
after baba Tara vaitema pamberi
nedombo.

"Budai zvenyu imomo mutaure nyaya


yenyu!" Vakadaro baba Tara Denny
akatofunga kuti chabvondoka baba Tara
vakuziva chokwadi. "Chauri kutemera
mota yanga chii manje?" Akabvunza
nehasha Denny zvikanzi, "uri
kutorwadziwa nekuti ndatema mota ko imi
makasara muchiita party mukadzi
wangu?" Denny akashamiswa nazvo
akashaya kuti chii changa chasara
chikataurika asipo.

"Akarara nemukadzi ndiyani manje?"


Akabvunza achiswedera pedyo nababa
Tara avo vakatanga kudzokera kumasure
nekuti zvibhakera naDenny vaisada nekuti
aiziva kuti anopetwa. "Usade kundiitira
hasha wakarara nemukadzi wangu?"
Vakadaro baba Tara Denny akaita seasina
kuzvinzwa ndokuenda pana mainini vake
akati, "mainini ndine zuva
randakambopinda mubedroom menyu
kubva zvakabva baba Tara pano?" Mai
Tara vakangodzungudza musoro zvikanzi
nababa Tara, "fokoro wenyu vanhu
vanokwi**na mubedroom chete here?"
Hapana akamupindura ndokubva aona
sekuti akutoitwa benzi nevanhu
ndokuchiti, "no problem ini ndakuenda
kwasabhuku ndonotaura."

"Ko izvo zvekufukurana hapwa zvabvepi?


Fungai angoti handiye ega airara
nemukadzi wako pano izvozvo zvinoreva
kuti mukadzi wako akarara naDenny,"
vakadaro Mai Denny.

"Ngaaende kwasabhuku tione kuti


anonyara ndiyani?" NdiFungai akadaro
izvo zvakapa baba Tara hasha
ndokumupa zenya asina kutarisira.
Denny aona kuti kungatoedza akati kuna
Mamoyo naGrace, "imi pindai mumba
murare ndiri kudzoka makuseni
musapindire munoise yevanhu ava."
Haana kumirira mhinduro yemukadzi
wake ndokubva atoenda kumota
akaimutsa akarova pasi. Mai Denny
vakasara voita batai batai yekunyengerera
mwana wavo kuti achirega vanhu
vambozorora vozotaura kwaedza.
Vaingomusimbisa nekuti, "unoita benzi
ndiwe mwanangu nekupengera pfambi
iyo. Chero vanhu vachihura zvavo asi
zvaMai Tara zvakanyanya nemuviri wavo
uya vachishandurwa naFungai zvake iwe
woda kutoti hee mukadzi wangu. Mukadzi
kudii kwacho uyo anoenda kuchiedza?"
Ndizvo zvakazotenderana Dione (baba
Tara) naMai vake.

The following morning Grace semunhu


aida kuenda kubasa ndiye akakasira
kumuka ndokunotarisa Mai Tara mumba
mavaive vanzi varare nevana nekuti
aingofunga kuti vanogona kuzvisungirira.
Akawana Mai Tara nemwana wavo vasimo
ndokuenda mumba yavo yekutsva
ndokuona bepa raive rakatsimbirirwa
nekatombo kuti risatorwe nemhepo.
Akatora kapepa kaya akaverenga zvaive
zvakanyorwa.

"Ndaenda kumusha kwedu nemwana


wangu musazvinetse henyu
nekunditevera mosara murugare. Hongu
ndakarara nabamunini Fungai asi
nhumbu yandabvisa yanga iri yababa."
Ndizvo zvaive zvanyorwa. "Hanzi chii?"
NdiMai Denny vakabvunza vari kumasure
kwaGrace uyo akavhunduka akadonhedza
kapepa kaya pasi ndokubva katorwa
nemhepo kakaita munyama wekubatwa
nemaoko asiriwo.
"Ndaenda kumusha kwedu nemwana
wangu musazvinetse henyu
nekunditevera mosara murugare. Hongu
ndakarara nabamunini Fungai asi
nhumbu yandabvisa yanga iri yababa,"
zvakadzokororwa kuverengwa zvaive
zvakanyorwa naMamoyo achiite
seaiverenga nhau. Aitadza kuzvinzwisisa
kusvika ati, "zvinhu zvamainini
handizvinzwisise ini vanongonyora kuti,
"nhumbu yanga iri yababa, baba vani
chaizvo chaizvo? Mama hamuna number
dzavo ndivafonere? Handidi zvekusara
ndine mibvunzo isina basa nekuti Denny
ndibaba futi, baba Firi ndibaba Firi
ndibaba futi plus baba ndibaba.Kuti
ndibaba vatezvara?" Akazodaro avhura
maziso arangarira kuti aive ambonzwa
vachibvunzwa zvenhumbu iyoyo
naDenny.

Mai Denny vakatora kapepa kaya


mumaoko aMamoyo ndokuti,
"zvakanyorwa apa ndezvedu tiri vatatu.
Ndikangozvinzwa kumwe ndoziva kuti
ndimi muri vaviri."

Mamoyo akaratidza kushushikana


vamwene vake vachidaro ndokutaura
nevoice rakazara kunyunyuta achiti,
"mama madya evidence ndoudza Denny
sei manje nekuti akati anoda nyaya dzine
evidence?"

End of chapter
*To be on sale from 20.* 200RTGS or R50
asi kune vachatenga book before chapter
20 mosender 150RTGS or R30

*How to subscribe*
Ecocash
0788357900 R.Mbombi

*Buddie airtime*
0788357900
*NB* vane ecocash please isai cash
airtime toitira vasina ecocash kwete
kuzoisa airtime through ecocash please.
Vari kuSA munogona kusender airtime
through Mukuru.
*Price yeecocash neairtime yakafanana*

*SA subscribers*

E-wallet- +27628789728

Sorry for the inconveniences paE-wallet


apo asi vasina vanotenga cell c airtime
vosender slip pa 0788357900

After payment mosender proof


pa0788357900 moiswa musubgrp
muchauya book everyday at 6pm.

Thank you in advance


Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 17

Narrated

Mamoyo akatosvotwa naMai Denny


zvekutodzokera kunorara chaiko asi
aitozviudza kuti chero evidence
yatsengwa tsengwa Denny aimuudza
chete. Mai Denny vakasara vonyengerera
Grace kuti avhare muromo wake uyo
akati, "ndotaurei zvangu ini mupfuuri
wenzira ndave kuenda kubasa."

"Ko wakutoenda uri kugara kupi?" Mai


Denny pavakamubvunza izvozvo akabva
arangarira nhema dzaDenny naMamoyo
akati, "ndakagara ndatsvagirwa imba
kwaNyika saka nezuro pandakasvika
ndakangorongedza zvanhu zvangu ndiko
kwandichange ndichigara."

"Ko isu matotiona here nhai asikana?"


Vakabvunza Mai Denny zvikanzi,
"ndinodzoka weekend apa moona
handina kuuya kana nehembe dress
raNyasha randakapfeka ndanzwa
nekurirangaridzwa kuti ndisaridhambise,"
akadaro achiseka zvikanzi naMai Denny,
"Mamoyo haumuzive here haade
nezvinhu zvake." Vaisanyepa ipapo Mai
Denny nekuti muroora wavo ainyima
zvekuti zvichida yaive nhumbu yaimudaro
kana kuti ndihwo hwaitove hunhu hwake.

"Iro teniti ndiro raangati unodhambisa


here?" Vakadaro vachiseka Mai Denny
zvikanzi, "ndingazvigona?" Grace akabva
aenda mumba Mamamoyo kunotora
zvekugezesa Mai Denny vakasara
vachigara pamusuwo wemuroora wavo
anga aenda. "Chokwadi baba Denny
anondishura," vakadaro vachisimudza
maoko ndokuzomapeta vachiti, "huye
zvakaoma." Zvanga zvavaomera
zvechokwadi nekuti vanga vasina
kutarisira kuti baba Denny
vangadzokorodza zvinhu zvinonyadzisa
kudaro. Gore ranga rapfuura Denny
paakarambana nemukadzi wake
wekutanga ndivo vaive vazvikonzeresa
sezvo vakabatwa nemukadzi waDenny.
Musi wacho pamba paive nendari Mai
Denny nevamwe varoora vari busy
kutengesa doro kusvika zuva rivire. Baba
Denny vaive vakadhakwa pamwe chete
nemukadzi waDenny. Ava Mai Ishe
ndokubva vati vave kunorara asi nekuda
kwekudhakwa vakabva vaenda
mubedroom navamwene vavo tezvara
kwakuchitevera vakasvika
vachizvikandawo pabed paive pana Mai
Ishe vachiti vazorore ndokunzwa pane
munhu.
"Denny swedera uko ndoda kuzorora
mhani?" Vakadaro Mai Ishe vachisunda
vatezvara vari kuhope. Baba Denny
ndokubva vati dzawira mutswanda
hadzichanetse kuorera
kwakuchinyepedzera kuita saDenny.
Semunhu anga ave nenguva asina
kusangana nemukadzi shavi rakabva
rabuda munhu kwakutokururira muroora
hembe kwakutopinzira. Kuti nditi Mai Ishe
idoro rakaita kuti vatadze kuziva kuti
munhu wavave kutamba naye haasi
murume wavo kana kuti raitongovewo
shavi rechipfambi rakavabata handizivi.
Vaviri vari busy kunakirana Ishe
wakatanga kuchemera Mai vake ari pana
Denny. Denny nekusada kunyangadzwa
nemwana achinakirwa nenyaya
dzepandari akabva angosimuka nemwana
achiti anonomusiya kuna mai vake asi
paakapinda mumba yavo yekurara akabva
ashaya mukadzi wake ndokubvunza Mai
Tara kana vaive vaona Mai Ishe.

"Ndavaguma vachipinda muroom mamai


umo pamwe vatorivara vakabatwa nehope
vanga vachiti vakaneta," ndizvo
zvakataura Mai Tara. Denny akaenda
nemwana ikoko akanoka ari padoor sezvo
anga atongojaira kugogodza asati apinda
mumba mamai vake. "Mai Ishe!" Akadana
mukadzi wake Mai Ishe ndipo pavakati
pengenu ndokuona kuti vana tezvara.
"Hee!" Vakadavira murume hana ichirova
zvikanzi naDenny, "tora mwana uyu urare
naye." Akadaro Denny achipinza mwana
mumba ndokubva atofuratira semunhu
aisada kudarikwa nenyaya.

"Sekuyu?" Akamira Denny anzwa izwi


nemwana wake richidana baba vake
ndokubva angodzokera mumba pasina
kufunga kaviri ndokuchiona kuti
zvechokwadi mumba mune vanhu vaviri.
Vaviri vakapfeka nekuchimbidza murima
imomo zvekuti vakazotanga
kunyepedzera kudhakwa vasimira asi
izvozvo zvanga zvisingachashande nekuti
Denny wanga watobata yaitambika and
pakazobatidzwa light ziya raive nababa
vake naMai Ishe raisambova rekudhakwa
bodo." Denny akangoita seanzwisisa
zvaitaura ndokubva paya achidzokera
kunyaya asi pfungwa dzanga dzisiri
panzvimbo.
Ramangwana racho akaudza mai zvaive
aona vakamuvhara vhara vachiti baba
havangambodaro ndiye ari kufunga
zvisizvo. Mai vadaro akambozvimanikidza
kubvisa pfungwa yekuti vatezvara
vangarara nemuroora. Mazuva akafamba
Denny akanyarara mukadzi wake akuita
kakumusema baba vake asingachade
kuvaona. Ipapo ndipo paakabva avaka
musha wake akuti abve pamba kuitira kuti
asarambe achionana nababa vake.
Paakavaka akangozviudza kuti vakarara
vese zvechokwadi mhosva ndeye doro.

Vatezvara kubva zvavaive varavira


zvinonaka vanga vachada kuzvisiya?
Ukuwo Mai Ishe kugara vakatukwa
naDenny kwakasvika pakuvasvibisa moyo
chero pakavakirwa imba vaingoti chero
zvazvaita. Vatezvara vaive vakupa Mai
Ishe twunonaka muroora achiendesa
grocery kumba kwavo achiti rabva
kumukwasha kusvika zvazobatwa
naDenny ndokudzosera munhu kumba
kwavo akatumira gupuro. Ipapo Denny
akadzokera kumba kwamai vake Mai Ishe
vakadzoka pamusha wavo. Denny
akangosiyana nazvo semunhu anga
asingachade kunzwa nezvavo. Mazuva
iwayo ndiwo akabva asvikawo Nyasha
muvillage mavo. Denny kwakutopfimba
mwana kuri kuda kuwachisa Mai Ishe asi
nekufamba kwenguva kwakutozotanga
kuda Mamoyo kusvika varorana. Kuuya
kwaNyasha ndiko kwanga kwamutsa
zvirere pamusha saka Mai Denny nekuda
kuramba vane chiremera vaive vofunga
zano rekubvisa Mamoyo pamusha wavo.
Chero chipfambi chemurume wavo
chaivarwadza, Mai Denny vaizama
kuchivanziridza kuti sezvo vanga
vachembedzana vachingofa vese uye
yechipfambi iyi ndivo vanga vatanga nayo
pavakazopihwa chirwere nasabhuku
zvino kuda kuzama kuchibvunza murume
aibva angoti, "chakachenjedza
ndechakatanga mukadzi wangu huye
usakanganwe kuti ndiri kunwa mapiritsi
nekuda kwako?"

"Ndizvo hazvo asi kuzorara nevaroora


here baba?" Vakakaruka vaburitsa
mashoko iwayo vakarivara Mai Denny
ndokuzvibata muromo vachitarisa kuti
hapana avanzwa here. Vakaputuka
misodzi yaive yabuda vachirangarira
zvanga zvaitika kumasure.

"Mama ini ndakuenda ndozokuonai


weekend," akavaoneka Grace atopfeka
uniform yake yekubasa asi baba Tara
ndivo vakatanga kudavira vachiti, "ko
taonana here maiguru?" Baba Tara vanga
vasina kumbopihwa maintro kana kuona
Grace manheru asi nemaseconds
avakamuona iwayo vakangoconcluder
kuti vakoma vaNyasha nekufanana
kwavaive vakaita zvese necomplexion.

"Regai ndiende musati mandipedzisa


handiti nezuro maida kundipisira
mumba?" Akadaro Grace achifamba
zvikanzi nababa Tara, "nhai mai hamuna
kundiudza kuti pano pane svovi
yemwana?" Mai vacho havana kupindura
Grace ndokutanga kufamba. Baba Tara
vakanyengerera Grace kumuperekedza
kwaNyika sezvo vanga vane mota.
Akabvuma kunyengerereka Grace
ndokuenda.

Zuva rakazofamba zvakanaka asi Mai


Denny ndivo vakaita sevachashoshomera
voice nekutsanangurira vanhu kuti imba
yakatsva sei. Mamoyo ndiye ainonokerwa
nekuuya kwaDenny kuti amuudze
breaking news. Denny wacho akazodzoka
pamba zuva ravira akangosvika achidana
mukadzi wake kubedroom. Mamoyo
akatoona mood yaDenny akareader ega
kuti hazviite kuti ataure nyaya yake isina
evidence kwakudzikama akamirira
kunzwa zvaaive adanirwa zvikanzi
naDenny, "ndataura nababa vako masikati
tikatenderana kuti unofanira kudzokera
kumba."

"Kudzokera kumba kunodii?" Mamoyo


akabvunza achiratidza kukanuka zvikanzi,
"Mamoyo just pack your bags vana tete
vako vari kuuya kuzokutora."

End of chapter.

To be on sale from chapter 20. 200RTGS/


R50 asi kune vachatenga book before
chapter 20 munosender 150RTGS/ R30.

*HOW TO SUBSCRIBE*
-Ecocash
-E-wallet
-Buddie airtime
-Cell C airtime

*Ecocash*
0788357900 R.Mbombi

*E-wallet*
+27628789728

*Buddie airtime*
0788357900

*Cell C airtime*
+27628789728
_NB: Price yeecocash and airtime
yakafanana but vane ecocash please
please don't send airtime. Airtime tinoitira
kuti vasina ecocash vawanewo kutenga
book same applies paE-wallet and cell c_

After payment you send your proof to


0788357900. Vanenge vashandisa
ecocash don't forget to mention zita
rinobuda paecocash penyu kana makuisa
proof of payment. After this mobva
maiswa musubgrp muchaiswa book.Book
richauya seven days per week at 6pm.

_Thank you in advance_


https://chat.whatsapp.com/ClLNs41q5sA9
elB2wWpYnW

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 18

Narrated
Denny sedangwe akatoona kuti
akasamutsa musoro musha wavo unoita
chiseko chenyika ndokubva afunga
kuenda kuna madzibaba
vakambomuporofita mazuva aiivaka
kwaNyika akatovaita sevasina kukwana.
Vaitozvipfuurira nenzira ndokutsauka
vamuona achivaka vakasvika paari
ndokutanga kurumbidza imba yaaivaka
vapedza ndokuzoti, "murandarume ndiri
kuona pane mukadzi ari kurwisana
nemukadzi wako." Madzibaba pavakadaro
Denny akatanga aseka, "madzibaba
matove online kana muchiri panyama?"
Vakadzungudza musoro madzibaba vaya
vanzwa tsitsi vakamutarisa sezvo vaiona
zvaisaona.

"Murandarume ndiri kuona hurombwa


mukati memusha wamunobva..."
Vakadaro madzibaba ndokumbonyarara
vamirira reply yaDenny uyo akavatarisa
neziso rekuti, "go ahead madzibaba."

"Zvino baba vandiratidza kuti pakubata


bata kwakaitwa mumusha macho ndiwe
wakaitwa muripo. Vabereki vako
murandarume vakaita mhiko yekuti iwe
haufanire kuroora," madzibaba vachidaro
Denny nevamwe vake vakabva vaseka
vachiti madzibaba vabva online network
yavo yave down sezvo Denny anga
achangobva kunobvisira mukadzi wepiri
anova Nyasha. "Baba zviro kwazvo vana
venyu vapera nekushaya zivo," vakadaro
madzibaba zvikanzi naDenny, "chiitai
muchiti gaa gaa munhu waMwari tiri
pabasa."
"Wakapihwa mukadzi uri mudiki chaizvo
zvino pawakazoroora wakatsamwisa
mukadzi iyeye ndokubva aita kuti usiyane
nemukadzi wawaive naye. Zvese
zvakaitika kuti urambane naye
zvakakonzerwa naye. Zvino rwendo
rwunho wazomutsamwisa zvakapfurikidza
zvekuti muripo wacho uchava wekudeuka
kweropa remukadzi wawatora iko zvino.
Uchaona zvichaitika mumusha mako
mazuva gumi ari kutevera kana
wazotenda kuti ndiri mutumwa waMwari
uchaziva kwekunditsvaga," vachipedza
kudaro vakabva vaenda madzibaba Denny
akamboshungurudzika vamwe vake
vakamuti, "Denny usaite seusina kuenda
kuchikoro hauvazive here vanhu ava vari
pakutsvaka mari uchaziva vaya vekuti
mwana wangu ari kudiwa kumusha
kwababa vake paakarwara takanetsana
nemukadzi kusvika kumaDNA
ndikazonyara sei mwana ari wangu."

"Chokwadi havasi vekutevedzera vanhu


ava vakasati vaona chiga cherufu kana
ngozi iri kukutevera vanototaura izvozvo
zvekuromba nekusundirwa mamhepo,"
akatsigira umwe waDenny vatatu
vakatozoswera vachiseka maporofita.
Pasina mazuva maviri Denny akabva
audzwa naNyasha zvaaive anzwa vabereki
vake vachitaura zvekuti mbuya
vakunetsera Denny. Denny haana kuda
kuratidza kuti zvaive zvamubata kune
mukadzi wake asi aive akutobatanidza
mashoko amadzibaba neemukadzi wake
ndokubva zvamushaisa hope. Akada
kunobvunza vabereki vake akashaya
pekutangira nekuti zvaisaita kuti mwana
angosvika achiti, "ko makaromberei
neni?"
Nyaya yegodo ndiyo yaive yatuma baba
vaDennis kuti varombe. Vakaenda
kun'anga vachida mushonga wedivisi
nekuita mari nekahupenyu kakanaka.
N'anga yaitoda ropa remwana wavo
wekutanga Mai Denny nemoyo
wekubereka vakati vanotambura zvavo
nenhamo pane kuurayisa Dennis. Baba
Denny ndipo pavakazochema chema
nen'anga vachikumbira imwe nzira inoita
kuti vaite mari pasina kuuraya mwana
ndipo pakazonzi Denny oita murume
wen'anga. Vaviri vakangozobvuma kuitira
kuti zvivapfuure zvavanoda zviite asi Mai
Denny nechemumoyo vaitoti mwana wavo
haangamboite mukadzi wen'anga.

Zvese zvavaida zvakaita asi nekufamba


kwenguva Mai Denny vakaona Denny
akura asi asina kana musikana. Aitotya
vasikana Dennis mai vacho vakatanga
kumufambira kukanganwa kuti
vakavimbisa n'anga kuti Denny achava
murume wayo. Pavakaudzwa neumwe
muporofita kuti ndivo vari kuita kuti
mwana ashaye musikana vakabva
vabhadhara muporofita uya kuitira kuti
mwana awane mukadzi. Vachibva
kumaporofita vakabva vatotanga
kutsvaga musikana angaite nekuti chero
mweya wezimbuya wabviswa pana Denny
kunyara vasikana kwanga kuchiri maari
semunhu anga akura asina kana kumisa
musikana.

Akamboda kuramba paakatsvagirwa Mai


Ishe ndokuzongopedzisira abvuma.
Kuroora kwaDenny kwakatsamwisa
n'anga iya zvekuti yakavinga Mai nababa
Denny husiku pamba ichida kutotora
Denny. Mai Denny vakarambisisa
nemwana wavo mbuya vaya vakati
hazvina kushata kwakuchiti baba Denny
ndivo vachafanobata chinzvimbo
chaDenny kusvika arambana nemukadzi
wake uye ivo Mai Denny ndokubva
vapihwa imwe mhiko yekuti havasangane
nemurume wavo kusvika vapa n'anga
Denny sezvo vanga vatorera mbuya
murume vachipa Mai Ishe. Baba Denny
zvekurara nespritual wife vaisada asi
havana zvavaizviita.
Mbuya iya yaizama nepose painogona
kuparadzanisa Denny nemukadzi wake
zvichiramba kusvika yazoita kuti baba
Denny varare nemuroora
ndokuzorambana kwakaita vanhu ava asi
varambana kudaro mbuya yakakundikana
kudzokera kuna Denny semunhu anga
akupota achinamata. Kusvika
pakuzoroora Nyasha. Mai Denny vanga
vasingachade zveumwe muroora nekuti
hunhu hwavaiitirwa naMai Ishe hwekudya
mari yaDenny hwakazoita kuti vafunge
kuti muroora n'anga asingabate mari
yemwana wavo ari nani pane zvipfukuto
zvinenge Nyasha naMai Ishe asi Mai
Denny vanga vazonyangira yaona nekuda
kwekuti Denny anga akuziva kuti
vanomushandisa.
Denny anga ave kuda kuziva chikonzero
chakaita kuti varombe naye uyo kutsvaga
way forward kuti arambane nembuya
vacho forever zvibve zvangovharana kana
hupfumi hwavakapihwa nambuya
huchidzokera hwodzokera. Musi wazoitika
noise pamba Denny akavhundutswa
nemashoko ababa vake avakamuudza
vari mumota ndipo paakazofunga
kutsvaga madzibaba vaya. Akaenda
kwaNyika husiku ihwohwo ndokuzotoona
kuti hazviite kubvunza vanhu
nezvamadzibaba ivavo husiku. Kuti
afambise nguva akabva aenda kubhawa
ndokunonwira nwira achitandara kusvika
kunze kuedze kwakuzobvunza
nezvamadzibaba vaya ndokupihwa
madirection ekusowe ravo sezvo panga
pasina anonyatsoziva pamba pavo.
Akasvika pasowe pacho pakazara vanhu
asi madzibaba vacho vasipo
ndokukumbira number dzavo kune
vamwe baba vaanga angowirirana navo.
Apihwa number dzacho akaphoner asi
panga pasina anodavira ndokuzobvunza
address yavo kune musondosi wavo
kwakuchienda kumba kwamadzibaba uko
kwakaakasvika kune noise pamwe chete
nemapurisa including Grace.

"Chii chiri kuitika pano maiguru?"


Akabvunza Grace vakamira pagate
zvikanzi naGrace, "pakaipa bamunini
pana madzibaba vanogara apa hanzi
vaiporofita nemusoro wegora kudiiko apa
vazobatwa vakarara nemukadzi wemunhu
on top of that hanzi akamitisa vakadzi
vaviri kusowe rake vaida kuuchikwa so
umwe mudare (a respect church member)
wepasowe pacho ndiye akamitisirwa
mukadzi namadzibaba apa
kwakungovinga madzibaba kwakuvabaya
nebanga apa vanga vatori nemukadzi
wemunhu. Vatofa right now," akadaro
Grace zvakapa Denny kuti aseke nhamo
serugare nekuti madzibaba ivavo ndivo
vanga vatori hope yake.

End of chapter

*Notice*
To be on sale from chapter 20. 200RTGS/
R50 asi kune vachatenga book before
chapter 20 munosender 150RTGS/ R30.
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 18

Narrated

Denny sedangwe akatoona kuti


akasamutsa musoro musha wavo unota
chiseko chenyuka ndokubva afunga
kuenda kuna madzibaba
vakambomuporofita mazuva aiivaka
kwaNyika akatovaita sevasina kukwana.
Vaitozvipfuurira nenzira ndokutsauka
vamuona achivaka vakasvika paari
ndokutanga kurumbidza imba yaavaka
vapedza ndokuzoti, "murandarume ndiri
kuona pane mukadzi ari kurwisana
nemukadzi wako." Madzibaba pavakadaro
Denny akatanga aseka, "madzibaba
matove online kana muchiri panyama?"
Vakadzungud a musoro madzibaba vaya
vanzwa tsitsi vakamutarisa sezvo vaiona
zvaisaona.

"Murandarume ndiri kuona hurombwa


mukati memusha waunobva..." Vakadaro
madzibaba ndokumbonyarara vamirira
reply yaDenny uyo akavatarisa neziso
rekuti, "go ahead madzibaba."

"Zvino baba andiratidza kuti pakubata


bata kwakaitwa mumusha mako ndiwe
wakaitwa muripo. Vabereki vako
murandarume vakaita mhiko yekuti iwe
haufanire kuroora," madzibaba vachidaro
Denny nevamwe vake vakabva vaseka
vachiti madzibaba vabva online network
yavo yave down sezvo Denny anga
achangobva kunobvisira mukadzi wepiri
anova Nyasha. "Baba zviro kwazvo vana
venyu vapera nekushaya zivo," vakadaro
madzibaba zvikanzi naDenny, "chiitai
muchiti gaa gaa munhu waMwari tiri
pabasa."
"Wakapihwa mukadzi uri mudiki chaizvo
zvino pawakazoroora wakatsamwisa
mukadzi iyeye ndokubva aita kuti usiyane
nemukadzi wawaive naye. Zvese
zvakaitika kuti urambane naye
zvakakonzerwa naye. Zvino rwendo
rwunho wazomutsamwisa zvakapfurikidza
zvekuti muripo wacho uchava wekudeuka
kweropa remukadzi wawatora iko zvino.
Uchaona zvichaitika mumusha mako
mazuva gumi ari kutevera kana
wazotenda kuti ndiri mutumwa waMwari
uchaziva kwekunditsvaga," vachipedza
kudaro vakabva vaenda madzibaba Denny
akamboshungurudzika vamwe vake
vakamuti, "Denny usaite seusina kuenda
kuchikoro hauvazive here vanhu ava vari
pakutsvaka mari uchaziva vaya vekuti
mwana wangu ari kudiwa kumusha
kwababa vake paakarwara takanetsana
nemukadzi kusvika kumaDNA
ndikazonyara sei mwana ari angu."

"Chokwadi havasi vekutevedzera vanhu


ava vakasati vaona chiga cherufu kana
ngozi iri kukutevera vanototaura izvozvo
zvekuromba nekusundirwa mamhepo,"
akatsigira umwe waDenny vatatu
vakatozoswera vachiseka maporofita.
Pasina mazuva maviri Denny akabva
audzwa naNyasha zvaaive anzwa vabereki
vake vachitaura zvekuti mbuya
vakunetsera Denny. Denny haana kuda
kuratidza kuti zvaive zvamubata kune
mukadzi wake asi aive akutobatanidza
mashoko amadzibaba neemukadzi wake
ndokubva zvamushaisa hope. Akada
kunobvunzakush on ga vabereki vake
akashaya pekutangira nekuti zvaisaita
kuti mwana angosvika achiti, "ko
makaromberei neni?"
Nyaya yegodo ndiyo yaive yatuma baba
vaDennis kuti varombe. Vakaenda
kun'anga vachida mushonga wedivisi
nekuita mari nekahupenyu kakanaka.
N'anga yaitoda ropa remwana wavo
wekutanga Mai Denny nemoyo
wekubereka vakati vanotambura zvavo
nenhamo pane kuurayisa Dennis. Baba
Denny ndipo pavakazochema chema
nen'anga vachikumbira imwe nzira inoita
kuti vaite mari pasina kuuraya mwana
ndipo pakazonzi Denny oita mukadzi
wen'anga. Vaviri vakangozobvuma kuitira
kuti zvivapfuure zvavanoda zviite asi Mai
Denny nechemumoyo vaitoti mwana wavo
haangamboite mukadzi wen'anga.
Zvese zvavaida zvakaita asi nekufamba
kwenguva Mai Denny vakaona Denny
akura asi asina kana musikana. Aitotya
vasikana Dennis mai vacho vakatanga
kumufambira kukanganwa kuti
vakavimbisa n'anga kuti Denny achava
murume wayo. Pavakaudzwa neumwe
muporofita kuti ndivo vari kuita kuti
mwana vakabva vabhadhara muporofita
uya kuitira kuti mwana awane mukadzi.
Vachibva kumaporofita vakabva
vatotanga kutsvaga musikana angaite
nekuti chero mweya wezimbuya wabvisa
pana Denny kunyara vasikana kwanga
kuchiri maari semunhu anga akura asina
kana kumisa musikana.
Akamboda kuramba paakatsvagirwa Mai
Ishe ndokuzongopedzisira abvuma.
Kuroora kwaDenny kwakatsamwisa
n'anga iya zvekuti yakavinga Mai nababa
Denny husiku pamba ichida kutotora
Denny. Mai Denny vakarambisisa
nemwana wavo mbuya vaya vakati
hazvina kushata kwakuchiti baba Denny
ndivo vachafanobata chinzvimbo
chaDenny kusvika arambana nemukadzi
wake uye ivo Mai Denny ndokubva
vapihwa imwe mhiko yekuti havasangane
nemurume wavo kusvika sezvo vanga
vatorera mbuya murume vachipa Mai
Ishe. Baba Denny zvekurara nespritual
wife vaisada asi havana zvavaizviita.

Mbuya iya yaizama nepose painogona


kuparadzanisa Denny nemukadzi wake
zvichiramba kusvika yazoita kuti baba
Denny varare nemuroora
ndokuzorambana kwakaita vanhu asi
varambana kudaro mbuya yakakundikana
kudzokera kuna Denny semunhu anga
akupota achinamata. Kusvika
pakuzoroora Nyasha. Mai Denny vanga
vasingachade zveumwe muroora nekuti
hunhu hwavaiitirwa naMai Ishe hwekudya
mari yaDenny hwakazoita kuti vafunge
kuti muroora n'anga asingabate mari
yemwana wavo ari nani pane zvipfukuto
zvinenge Nyasha naMai Ishe asi Mai
Denny vanga vazonyangira yaona nekuda
kwekuti Denny anga akuziva kuti
vanomushandisa.

Denny anga ave kuda kuziva chikonzero


chakaita kuti varombe naye uyo kutsvaga
way forward kuti arambane nembuya
vacho forever zvibve zvangovharana kana
hupfumi hwavakapihwa nambuya
huchidzokera hwodzokera. Musi wazoitika
noise pamba Denny akavhundutswa
nemashoko ababa vake avakamuudza
vari mumota ndipo paakazofunga
kutsvaga madzibaba vaya. Akaenda
kwaNyika husiku ihwohwo ndokuzotoona
kuti hazviite kubvunza vanhu
nezvamadzibaba ivavo husiku. Kuti
afambise nguva akabva aenda kubhawa
ndokunonwira nwira achitandara kusvika
kunze kuedze kwakuzobvunza
nezvamadzibaba vaya ndokupihwa
madirection ekusowe ravo sezvo panga
pasina anonyatsoziva pamba pavo.
Akasvika pasowe pacho pakazara vanhu
asi madzibaba vacho vasipo
ndokukumbira number dzavo kune
vamwe baba vaanga angowirirana navo.
Apihwa number dzacho akaphoner asi
panga pasina anodavira ndokuzobvunza
address yavo kune musondosi wavo
kwakuchienda kumba kwamadzibaba uko
kwakaakasvika kune noise pamwe chete
nemapurisa including Grace.

"Chii chiri kuitika pano maiguru?"


Akabvunza Grace vakamira pagate
zvikanzi naGrace, "pakaipa bamunini
pana madzibaba vanogara apa hanzi
vaiporofita nemusoro wegora kudiiko apa
vazobatwa vakarara nemukadzi wemunhu
on top of that hanzi akamitisa vakadzi
vaviri kusowe rake vaida kuuchikwa so
umwe mudare (a respect church member)
wepasowe pacho ndiye akamitisirwa
mukadzi namadzipapa apa
kwakungovinga madzibaba
kwakuvabayathank nebanga apa vanga
vatori nemukadzi wemunhu. Vatofa right
now," akadaro Grace zvakapa Denny kuti
aseke nhamo serugare nekuti madzibaba
ivavo ndivo vanga vatori hope yake.

End of chapter

*Notice*
To be on sale from chapter 20. 200RTGS/
R50 asi kune vachatenga book before
chapter 20 munosender 150RTGS/ R30.

*HOW TO SUBSCRIBE*
-Ecocash
-E-wallet
-Buddie airtime
-Cell C airtime

*Ecocash*
0788357900 R.Mbombi

*E-wallet*
+27628789728

*Buddie airtime*
0788357900

*Cell C airtime*
+27628789728

_NB: Price yeecocash and airtime


yakafanana but vane ecocash please
please don't send airtime. Airtime tinoitira
kuti vasina ecocash vawanewo kutenga
book same applies paE-wallet and cell c_

After payment you send your proof to


0788357900. Vanenge vashandisa
ecocash don't forget to mention zita
rinobuda paecocash penyu kana makuisa
proof of payment. After this mobva
maiswa musubgrp muchaiswa book.Book
richauya seven days per week at 6pm.

_Thank you in advance_


*HOW TO SUBSCRIBE*
-Ecocash
-E-wallet
-Buddie airtime
-Cell C airtime

*Ecocash*
0788357900 R.Mbombi

*E-wallet*
+27628789728

*Buddie airtime*
0788357900
*Cell C airtime*
+27628789728

_NB: Price yeecocash and airtime


yakafanana but vane ecocash please
please don't send airtime. Airtime tinoitira
kuti vasina ecocash vawanewo kutenga
book same applies paE-wallet and cell c_

After payment you send your proof to


0788357900. Vanenge vashandisa
ecocash don't forget to mention zita
rinobuda paecocash penyu kana makuisa
proof of payment. After this mobva
maiswa musubgrp muchaiswa book.Book
richauya seven days per week at 6pm.
_Thank you in advance_
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 19

Last Free Chapter

Nyasha
Kuda kutobvunza Denny chandaive
ndamutadzira akabva atobuda mumba
achiti, "ndoda kudzoka waenda kumba
kwenyu!" Ndakapererwa ndikagara pasi
ndichishaya kuti chii chakaitika pakabuda
Denny chaita kuti adzoke achindiramba.

"Uchiri wakagara ipapo?" Akadaro


adzoka mubedroom ndokubva ndati,
"handi wati vana tete vangu vari kuuya
kuzonditora?" Ndakapindura
ndichisimuka zvikanzi, "iyoyo nyaya
yekundipindura ndiyo imwe
yakudzokeresa kumba kwenyu."
Ndakamutarisa akandiridzira tsamwa
ndokubva ndati, "kana ukandibvunza
handi unenge uchitarisira kupindurwa
here?" Haana kupindura ipapo
kwakuenda pawardrobe akatanga
kuburitsa hembe dzangu achikanda pasi.
Nekushaya zvekumuita misodzi
yakatanga kuyerera ndikati, "sorry Denny
handichapindure." Akacheuka
ndokudzungudza musoro akanditarisa
akapfuurira mberi nekuburitsa hembe ini
ndokuramba ndichiti, "sorry,"nekuti
ndaisada kudzokera kumba. Hapana
chinorwadza sekukumbira ruregero usina
mhosva yawapara sezvandakaita ipapa.

"Denny ndaita sei?" Ndakabvunza


ndakapfugama pamberi pake
ndakamubata gumbo nemaoko ese chiso
chakamutarisa kuti andinzwirewo tsitsi
iye kwakubva atarisa kuside. Mai Denny
nekunzwa masorry sorry angu vakauyawo
mubedroom medu kuti vaone chaitora
nzvimbo.

"Kwakanaka here nhai Dennis?"


Vakadaro vachirovanisa maoko avo
kwakumapeta vachigara pabed. "Ehe
kwakanaka," akadavira Denny ndikati,
"mama Denny akuda kundidzinga pano."
Vakavhurisa maziso Mai Denny anga
agara ari makuru zvese nemuromo in a
funny way zvekuti dai zvinhu zvanga
zvakanaka ndaigona kuseka. Mai Denny
semunhu anga asingandide vakabva
vasimuka vachiti, "dzevaviri
hadzipindirwe rega ndinozvizororera ini
mwana wemuyera shumba."

"Hembe dzako dzakabva dziri pai?"


Akabvunza Denny apa achinyatsoziva kuti
ndakatizira ndisina hembe chero
pandakazodzokera kumba paya
ndakangotora hembe dzaikwana
muhandbag sezvo hembe zhinji
dzandaipfeka dzaisapfekwa nemukadzi
wemunhu that too wekumusha.

"Denny hauchatondide?" Ndakati


ndibvunze munhu kwakuramba
akanyarara ndikati, "kana usina
kundipindura handibve pano."
Akanditarisa akaseka zvikanzi, "madrama
ako haashande pandiri wanzwa? Iwe
chimbodzokera kumba kwenyu unokura
nekuti pano hapana zvauri kuita."
Ndakaramba ndakanyarara ndokutoenda
pabed ndichiti ndizvirarire handi ndaive
ndakanzwa kuti marriage
ndeyekushingirira saka zvaitika
ndakangozvitora normal. After all vanhu
vese vaingonetsana asi semunhu
wemukadzi handaifanira kuramwaka.

"Usade kunditsamwisa iwe!" Akadaro


Denny achiwaranyura jira randaive
ndakafunga ndokundibata ruoko
achindidhonza ndipo pandakati pengenu
ndikaona kuti haasi mafunnies,
paakandisimudzira ruoko achida
kundirova ndakavhara face nemaoko
ndikabuda mumba make ndiri bara
ndakananga kwababa vangu. Hasha
dzaDenny dzaive dzandirangaridza mafiro
akaita mama. Ndaive ndichangosvika
pamba ndabva kuchikoro ndikanzwa
vachinetsana nechikomba chavo kusvika
pakurohwa. Ndakatombochiller ndiri
muroom mangu ndichiti pamwe
kunetsana kwemazuva ese nekuti
nemurume iyeye vaive vakabvira kudhara
vachinetsana vogadzirisana, vorambana
vodzokerana asi pandakaona munhu
oramba achichema ndakaenda kunobata
ndokubva ndabatanidzirwa zvichinzi,
"kamwana kehure aka!"

Ndakaridza mhere yekuti vanhu vauye


kuzonunura asi vanhu pavakasvika yanga
yave too late nekuti muchembere vanga
vaibva nezvibhakera nemabhutsi. Vanhu
vachingosvika murume uya akabva atiza
mama ndokutakurwa vakaiswa mutaxi
kuti tiende kuchipatara but vakangoti zii
tisati tasvika kuchipatara isu tikangoti
pamwe kufenda ndokusvika kuchipatara
zvichinzi vafa.
"Havana kufa mirai nditaure navo
vamuke," ndakadaro kuna doctor
ndokutanga kuvazungunutsa ndichiti,
"mama! Mama mukai!" Ndakabatirwana
nevanhu vandaive ndauya navo
kuchipatara kuti ndidzikame asi
zvakaramba kubvumika kuti mama
vatoenda. Vamwe pavaichema pamariro
ndaiti vangu mai vachadzoka chete asi
musi wekuvigwa pandakaona
vachifushirwa ndipo ndakaona kuti
ndatove nherera for real. Ndakachema
ndakagara pasi kumakuva
ndokuzosimudzwa nababa nekuzouya
neni kuno. From there ndakadzidza kuti
ndikangoona zvibhakera zvakuda
kusimuka ndotiza nehupenyu hwangu
nekuti munhu aigona kutokuuraya
sekutamba sanaDenny vaive nemweya
dzinovatevera munhu aipindwa nambuya
vake ndikazongopedzisira ndave nyaya.

Ndakasvika pamba pedu ndichingochema


apa ndaive ndakutochema mai vangu
nekuti ndaitofunga kuti dai vasina kufa
ndiri pari nani ndisingaoneswe nhamo
naDenny namai vake. "Chii Nyasha?"
Vakandibvunza baba ndokutanga
kuchema ndichiti, "dakuenda kuna mama
vangu!" Aive mashoko emunhu
airwadziwa nekuti kufa ndanga ndisati
ndoda zvangu.

"Kuna mama kupi?" Munya akabvunza


achindibata shoulder ndokubva
ndatowedzera kuchema ndichingoti,
"mama kani!" Munya akandibatsira
kupinda mukitchen achindinyengerera
kuti nditaure chandaichemera.

"Baba Munya ini regai ndimhanyire


kunobata bhazi riya ndiende," vakadaro
vachibuda zvikanzi nababa,"mira
ndikuperekedze.Munya usare
wakamutarisa kusvika ndadzoka usabve
pamba." Anga atove manheru hahwo
hakuna kwaibuda achienda Munya asi
baba vakangoraira. "Akuita sei murume
wako?" Akasara obvunza Munya
ndokusimudzira kuchema.
Ndainyatsovafunga mai vangu zvekuti
ndakatoona kuti varipo Denny aiswera
avharirwa. Musoro wakatanga kutema
nekuchema hope ndokubva
dzazongondinyangirawo ndakadaro.
"Azoti chii?" Ndakavanzwira kuhope baba
vachibvunza zvikanzi naMunya, "hapana
anga achingochemera mai vake."
Ndakarara kudaro misodzi yakabva
yazara mumaziso ikatanga kuyerera futi.

"What's wrong with Denny? Anoita


semunhu kwaye wani?" Ndakamuka
ipapo ndanzwa voice raGrace. "Chirega
kuchema Mamo unokuvadza mwana,"
akadaro Grace akundibhabhadzira. Ndiye
akatombogona kundidzikamisa nekuti
nditaure zvaive zvaitika kumba ndikati,
"Denny ati ataura nemi baba mukati vana
tete vave kuuya kuzonditora." Baba
vakaratidza kukanuka ndokuzoti,
"ndamuonepi Denny ini?"

"Iye ndizvo zvaandiudza akati ndakufanira


kudzokera kumba," ndakataura misodzi
ichiyerera zvikanzi naMunya,"anoshura
Denny nhasi ndaswera nababa
tichigadzira ngarani vakazobva pano
husiku huno vakuperekedza mama."

"Pamwe haachandide," ndakadaro


pakashaya anopindura vanhu
ndokumbochinja nyaya vakuita zvesadza.
Vanhu vapedza kudya takaenda kunorara
naGrace achindinyaradza, "haikona
kuchema sewafirwa Nyasha. Denny
anogona kutofunga kuti akukaurisa asi
asingazive kuti atokugonera hona apa
ukanyora form four panozobuda
maresults unenge wazvara woenda
kucollege zvevarume izvo wozoita wave
nestart funga kuti chero ukanzi wapasa
uri kumba kwavo ungaenda kucollege
iwe?" Grace anga akutofunga zvemberi
whereas ini ndingori nemubvunzo wekuti
saka ndarambirwei. Paive andiudza kuti
ndidzoke kumba ataura nababa vangu
ndaitoti hameno zvavataurirana vakaona
zviri better ndibve pamba pavo asi
pandakatozoona kuti zvekuti vana tete
vauya kuzonditora dzaive nyambo
dzaDenny ndakatadza kugadzikana
zvachose kubva ndatoitwa saMai Ishe
vakangorambwa pasina chikonzero
chakati sviki but apa ndanga ndakunzwa
nyaya dzekuti vakarara nababa vaDenny
hameno kana chaive chokwadi. Ini ndaive
ndisina kana chandakanganisa
ndongonzi, "pack yours and go."

Week rakasvika pakupera Denny asina


kuuya kumba kwedu kuzotsanangura
zvaive aita ndikatozonzwa nemakuhwa
kuti ndakarambwa. Ndakamboda
kutoenda kumba kwavo kunonzwisisa
kuti zvaifamba sei Grace nababa
vakandirambidza. Musi iwoyo wandaida
kuenda kumba kwavo Denny akabva
asvika pamba nemunyai ndikafunga kuti
auya kuzokumbira ruregerero izvo kwani
munhu atouya kuzondiramba officially
negupuro reten bond. Sezvineiwo hama
dzangu dzakazvigamuchira pasina
kubvunza zvikonzero nekuti baba
naGrace vanga vagara vatoronga kuti
chero Denny akauya kuzonditora vanga
vasingandidzosere. Chinangwa chavo
chaingove chekuti ndichiita zvechikoro
asi nyaya yekuzogara nemwana pasina
baba ndiyo yanga ndisingade nekuti
ndaiziva kurwadza kwazvo semunhu
akakura asina baba asi ndichiziva kuti
varipo above all Denny wacho ndanga
ndichiri kumuda. Rimwe week rakapfuura
ndatove murambiwa ndokuzonzwa mama
vachitaura naGrace vachiti, "kuti ndizvo
zvaakarambira Nyasha asi asadaro
Denny."

"I'm not sure ndangoudzwa nababa Tara


kuti Mai Ishe vatove netwo days vari
pamba ndisingazive kuti vakavinga
kuzoona mwana kana kuti Denny?"
Akadaro Grace zvikanzi, "kuvinga
kuzoona mwana vanhu vanogara muraini
rimwe chete?"

"Hameno ndichatonzwa nababa Tara kuti


chii chiri kunyatsoitika," akadaro Grace
ndokunyarara vandiona. Iye Grace
ndanga ndisingachanzwisise
kakuwirirana kake nababa Tara. Yes anga
ari munhu anongodidikika zvekuti chero
mama pavakadzoka ndivo vakatotaura
zvekuti auye kumba tigare naye sezvo
aizoshandira mahara achigara kwaNyika
nemarentals. Baba Tara ndivo
vaimuperekedza kubasa every morning
zvekuti ndaingoti, "itsitsi dzei
tsvimborume kubvisa mwana wemvana
madzihwa?"

"Nhaiwe kwaMado ndekupi?" Akabvunza


Grace makuseni achigadzirira kuenda
kubasa ndikati, "kuroad uko kunokwirirwa
mota."

"Zvino ndoziva kuti ndosvikako sei?


Dione ati akandimirira ikoko," akadaro
ndikati, "ko adii kungokumirira pambuya
Zvoto paanosikutorera."

"Hanzi vanhu vekumba kwavo vave


kutomunetsa nenyaya yangu vachiti
anowiriranira chii nehama yaMamoyo,"
paakadaro ndakaseka ndichiti, "nonsense
dzevanhu rega ndikuperekedze."
Takabuda tese ndokubva ndati tigurire
nepamba paMai Ishe tikasire kusvika asi
ndakazodemba kuti dai ndatora nzira
yekutenderera ndaona Denny achibuda
mubedroom yaMai Ishe akapfeka kashort
achizvitwasanudza nekushama n'ai zvaita
achangomuka. Akashamisika ationa
ndokutopinda mumba achivhara door.
Ndakashamisika zvekutadza kusimudza
gumbo kuti tienderere mberi nerwendo
ndikatoita zvekudhonzwa naGrace achiti,
"Mai Ishe avo haikona kuita semunhu ari
kurwadziwa nanhingi."

Ndakatarisa mberi ndokuona Mai Ishe


vachiuya vakasenga bucket remvura
vachiimba song iya yekuti, "makatendeka
Jesu."

"Hevozve nhai Nyasha!" Vakandikwazisa


nemufaro wakapfurikidza vakavirwa
naGrace ini kwakutanga kufamba. "Baba
Ishe chimukai kani zuva rakwira iri!"
Ndakavanzwa vachimutsa Denny nevoice
rekuti ndivanzwe and I was like, "may God
blast you Denny."

End of chapter 19...ngatisanganei


kusubgrp.Mamoyo now on sale from
chapter 20. 200RTGS/R50
*HOW TO SUBSCRIBE*
-Ecocash
-E-wallet
-Buddie airtime
-Cell C airtime

*Ecocash*
0788357900 R.Mbombi

*E-wallet*
+27628789728

*Buddie airtime*
0788357900
*Cell C airtime*
+27628789728

_NB: Price yeecocash and airtime


yakafanana but vane ecocash please
please don't send airtime. Airtime tinoitira
kuti vasina ecocash vawanewo kutenga
book same applies paE-wallet and cell c_

After payment you send your proof to


0788357900. Vanenge vashandisa
ecocash don't forget to mention zita
rinobuda paecocash penyu kana makuisa
proof of payment. After this mobva
maiswa musubgrp muchaiswa book.Book
richauya seven days per week at 6pm.
_Thank you in advance_

#PDF CREATED BY LORITY ARTS#

You might also like