Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 2

CHIDZIDZO: SHONA LANGUAGE

GWARO: FOMU 4

MHANDO: CHINYORESO NEBEPA

MUSORO WEMUBUMBIRO: UKAMA PEJI 30

MUSORONYANA URIMUBUMBIRO: MAKATANWA MUNHARAUNDA

MUSORO WEZVIBATWA BATWA: HUNHU HWEMAHWINDI

MUDZI WETSVAGURUDZO

Mahwindi vanhu vanoshanda panokwirirwa michovha vachidaidzira vafambi kuti vapinde


mumota ivo vachizopiwa kamuripo nevaridzi vemota. Vanhu vazhinji havawirirani pamusoro
penyaya yemashandiro emahwindi. Vamwe vanoti vanoita basa rakanaka vamwe vachitiwo
havana chakanaka chavanoita. Nokudaro unofanira kuita tsvagurudzo yevanhu vanonzi
mahwindi kuti ubude nezvakanaka zvavanoita, zvakaipa zvavanoita uye zvingaitwe kuderedza
hunhu hwakaipa hwavanoita.

Zita remudzidzi

Nhamba yemudzidzi

UNYANZVI

KUTSVAGA RUZIVO NEKUNZWISISA, KUGADZIRISA ZVINETSO, KUGONA KUTAURA


NEKUVANDUDZA MABASA

TSANANGUDZO

Chiitwa ichi chine mapandi matatu A,B,C

Chiitwa A

Tsanangura zvinhu zvishanu zvakanaka zvinoitwa nemahwindi. (5)

Chiitwa B

Tsanangura matambudziko gumi anokonzerwa nehunhu hwakaipahunoitwa nemahwindi. (10)

Chiitwa C

Ipa zvingaitwa kuderedza matambudziko anokonzerwa nemahwindi. (10)


Chipimo chebasa

Bandiko E

Zita remudzidzi

Uremu Atsvunha Agona Aedza Akundikana


neunyanzvi

Zvakanaka Apa zvishanu Apa zvina Apa zvinhu Apa zviviri


zvinoitwa netsananguro netsananguro zvitatu zvichidzika
nemahwindi(5) netsananguro
(5) (4) (3) (1-2)

Hunhu Apa Apa Apa mashanu Apa mana


hwakaipa mapfumbamwe manomwe kana zvichidzika.
hunoitwa kana gumi kana masere matanhatu
nemahwindi (1-4)
(10) (9-10) (7-8) (5-6)

Zvingaitwa Apa Apa Apa Apa zvina


kuderedza zvipfumbamwe zvinomwe zvitanhatu zvichidzika
matambudziko kana gumi kana zvisere kana
anokonzerwa zvishanu (0-4)
nehunhu (9-10) (7-8)
hwakaipa (5-6)
hwemahwindi

Hwerengedzo

[25]

You might also like