Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 210

NYEPUDZAI

NYEPUDZAI

Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA

+263777400185
CHITSAUKO O1.

"Maswera sei ambuya, Nyepudzai aripo here?"


"Ndaswera zvakanaka, ko ndianiko ndichamboona here
muzukuru vari kumhepo vakandirova neshamu yemaziso
zvangozva zvironda izvi , aizve ndiwe Ruramai ko zvowoda
kuita mwenga nhai muzukuru, sununguka pano pamba
penyu, Nyepudzai anenge arimo munhanga make umo,
anga agere pano manje manje handina kuzomuona kuti
afamba sei,mutarise"
"Zvakanakai ambuya".
Ruramai anosimuka paaive akapfugama woenda,
kunhanga yeshamwari yake, ainge auya kuzomutora kuti
vamboenda havo kuno tuhwina, iro zuva rechirimo raipisa
zvisina mukare akamboona. Ruramai aiva mwana
waMutenda jinda guru raMambo Chatikobo.

"Nyepudzai kurara rakacheka nyika kudai, kwakanaka, asi


wakatsika mwedzi kani?"

"Ukwane Rura, ndotsikiswa mwedzi nani, asi unoti inobva


musadza, ko kuuya kuno nezuva iri Kwakanaka".

"Usatsamwe ndiri kuseka newe ini, ndangouya kuzokuona


kumba kuri kusvota uku, handei ka kunotuhwina
Nyepudzai".

Nyepudzai aisada zvekufamba hake, aive akatojaira


kuswera ari pamba nambuya vake vachikurukura havo, uye
aisada kusiya mbuya vake vari vega pamba kwenguva refu,
asina anovatarira, vaigara vari vaviri chete, mbuya
vaNyepudzai vainge vaisanyatsoona uye vaive vakwegura.
Nyepudzai vabereki vake vainge vakashaya, kare achiri
pwere, vaive vakayeredzwa nemvura vachibva mhiri
kwaChirisere ndiye sarai, vaive vakabereka Nyepudzai
chete, kufa kwakaita vabereki vake Nyepu, akasara
worerwa nambuya vake avo vaitoswera naye kumaricho
kuti vawane chokudya, sekuru vake ainge asina
kumbobvira akavaona akazozvarwa vashaika kare
Nyepudzai ainge atova mhandara yemakore gumi
nemasere.

Ruramai na Nyepudzai zvavakabuda muchivanze,


vakatora nzira yainanga kurwizi, vari munzira vakabva
vasangana naChenai uyo aitobva kuhuni hake, vakamira
vokwazisana, Chenai achinzwa kuti vamwe vake vari
kunotuhwina akabva atoti ndimirirei ndinosiya huni
ndidzoke,Rumai na Nyepudzai vakabva vasara vakagara
zvavo pachidombo, pasinawo nguva refu Chenai ainge
atodzoka, vonanga kurwizi.

"Asikana hamuite wena, kutadza kundiudzawo zviri


kumuzinda kunyanya iwewe, Ruramai uri mwana wejinda
raMambo ka iwe"
"Kwaitikei, hapana chandiri kuziva ini, asikana, mototiudza
ka iwewe Chenai kunei".

Chenai airatidza kuti ane nyaya inofadza aioneka


kunyemwerera asati ataura nyaya yaaiva nayo.

"Saka muri kundiudza kuti mese imi hamusi kuziva kuti


Tasara ari mubishi kutsvaga mhandara, achaita muroora
waMambo".

Ruramai akaita kukwakuka senhoro, achinomira


kwakadaro wobata muchiuno, achibva ambozvitarisa hake
ndokuti "Ukutaura chokwadi here Chenai, zvino kana chiri
chokwadi, ini ndini ndakatokodzera kuita mudzimai wake
nerunako rwangu iri, patiri pano ndiani akanaka kupinda ini,
gore rino rinopera ndava kwaMambo chete".
Nyepudzai naChenai vakabva vaputika zvavo nekuseka
ndokuramba vachifamba havo, izvo zvakatobhowa
Ruramai uyo akangoridza tsamwa, achitevera vamwe
vake,vakanosvika kurwizi ndokupinda mumvura voita havo
makundano ekutuhwina, Vakazobuda vaneta havo
ndokunorara paruware vachida kuti vamborohwa nezuva
vachioma havo. Vakazosimuka, Nyepudzai ati ave kuenda
kumba aida kunogadza muriwo wamanheru, aisada kupa
mbuya vake vasinganyatsoona mutoro, ainge akasiyana
naChenai pamwe naRuramai avo vaiitirwa zvese nanamai
vavo,vakazonoparadzana umwe neumwe wotora nzira
yekumba kwavo.

Mumuzinda waMambo Chatikobo, Mambo vainge vagere


nejinda ravo, Mutenda baba vaRuramai, vaitamba tsoro
havo, Mambo nejinda ravo vaiita sevakayamwa rimwe
chete vainzwana chaizvo, Chatikobo hapana chaaiita
mumuzinda akasataurira jinda rake. Vakamira kutamba
tsoro vaona Tasara Nevanji waChatikobo achisvika padare,
vose vakabva vamutarisa kudzamara agara pasi.
Chatikobo akatozviona kuti Tasara ane zvaarikuda
kutaura nababa vake, iye akabva atooneka hake achida
kusiya vaviri vachizeya pamwe ndezve mumusha mavo,
asi Mambo vakabva vamurambidza kuenda.

"Baba, ndanzwa naamai kuti murikuda kutaura neni".

"Ndanga ndatokanganwa ndambokutsvaga wanga


waenda kupi ndanga ndichida kunzwa kuti nhau
yandakakuudza svondo rapfuura iya, wavapapi kana kuti
ndoita vanasikana vekuunganidza wosarudza".

"Baba ndagara ndakuudzai wani paye kuti


zvekuunganidzirwa mhandara pano handidi, ndodawo
kuita semurume kupfimbawo, kwete kungonhonga kunge
mazhanje".
Mambo nejinda ravo vakaseka havo nematauriro aive
aiitwa naTasara asi Mutenda ainge angosekawo hake asi
pfungwa dzake chaidzo aitozvibvunza ega kuti sei asina
kuudzwa nhau iyi, uye iye kumba kwake ane mwanasikana,
aingokwenya mhino nekasiyamwa kuti dai vakangofunga
kutora Ruramai. Akabva afunga kuda kuswededza Tasara
pedyo naye kut akwanise kuona runako rwemwanasikana
wake, akabva ati.

"Tasara, unofanira kusarura musikana anozivikanwa


netsika uye ane runako, kwete kukundwa nemamwe
majaya iwe uri Nevanji unofanira kutora akanaka kupinda
vese,uye asati aziva murume,unouya kumba mangwana
ndichikupa mazano".

Tasara akavimbisa baba vake kuti aizowana mhandara


yatora moyo wake mwedzi uno usati wapera, baba vake
vakatenderana naye, ndokubva asimuka hake woenda
kumba yamai vake. Mutenda ainge asisade kuramba
achitandara naMambo aida kunoudzawo mudzimai wake,
nezvenhau iyi, vaida kuti Tasara asatora unwe munhu
kunze kwaRuramai.
Dunhu raMambo raChatikobo, raiva dunhu rakakura
zvakanyanyisa, raiva rakapoteredzwa nemamwe matunhu
akawanda zvizhinji,Chatikobo aiva murume murefu, aiva
nemuviri wakagwinya asi makore ainge afamba,
waisamuona akarara parupasa nyangwe zviite sei, vamwe
ndovaiti akadya muti wakasanganiswa nekamba kuti
asarwara. Mambo vaive nevakadzi vatutu, vaHosi
vaRupazho, avo vaiva nevana vaviri, Tasara uyo aiva
nevanji mukuru pamwe naRudo uyo aive atova mhandara
yatokura, chipfuva chainge chotoremerwa nemazamu.
Mukadzi wepiri wa Mambo vaiva vaMunetsa avo vainge
vane vasikana vatatu, kotevera vaGupuro, vaiva Nyachide
waMambo, vaiva nevanasikana vaviri, ainge asina
kumbobvira akabereka mwana mukomana.

Mambo Chatikobo vaitoti vakatukwa nevadzimu, kupihwa


mukomana umwe chete, vaive vakazama kutsvaga vana
nemadzimai avo asi vese vainge vakangobatsirwa
nevasikana chete, vakatozoudzwa naGodobori wavo kuti
havachabata mwana mukomana zvekare,vari kumhepo
vakavapa Tasara ega, izvi zvakaitirwa kuchengetedza
humambo waChatikobo, Godobori akati vakapihwa
vanakomana vaviri munozoita hondo vakurimirana
pachavo.

Mutenda akazooneka zuva ratonyura wobva pamuzinda


wopinda woenda kumba kwake, akanosvikawo nyaya
yaTasara iri mudariro, mudzimai wake achikurukura
naRuramai mhandara yake

"Mabva makasvika ka, Matemai maswera sei".

"Ndaswera vadzimai, maswerawo seyi".

"Ko kusatiudzawo kuti Tasara ave kuda kuroora, ndiri


kutonzwa naRuramai izvezvi achiti anzwa naChenai,
hamudiwo kuti awanikwe kumuzinda here?".

Mutenda akafara pfungwa yaaiva nayo ndiyo zvekare yaiva


nemudzimai wake yekuti Ruramai aroorwe naTasara,
Mutenda asati apindura mudzimai wake akatanga
nekutarisa mhandara yake iyo yaiva yazadza chiso
nenyemwerero, kuratidza kufarirawo shoko iri.

"Zvipiko vadzimai, pazvakataurwa naMambo ndaiva


ndisipo ndatozoudzwa nhasi, asi musatya henyu mukana
uchiripo chaizvo haasati awana mhandara yacho,
ndatomubvunza Tasara achiri pakutsvaga,ndinovimba kuti
mangwana ari kutosvika pano, ndamuti azouya"

"Kuuya pano, munorevesa here Matemai, wazvinzwa ka


Ruramai, mangwana unofanira kugara wakashongedzeka
Tasara ari kuuya pano, anofanira kuti akakuona chete
obva atotorwa moyo newe, gore rino ndezvedu mwanangu,
ndiri kuzova nehukama naMambo"..
Ruramai akangozhinya senzenza achifarira kuti Tasara ari
kuuya pamba pavo mangwana, ainge asisagone
nekutogadzikika chaiko, akapedzisa kubika
achingonyemwerera hake, akapakura iye haana kuda
kugara maiva nevabereki vake akatora mbiya yake,
woenda kunodyira kunhanga kwake, achipinda munhanga
make, akambogadzika mbiya yesadza pasi, ndokubva
abata muchiuno, wozvitaraisa tarisa, akabva asekerera
ndokutaura ega hake "Tasara ndewangu hapana
akarurama kunge ini mudunhu muno, chiyi chandisina,
ndakatsvuka kupinda vasikana vese muno" Akabva
arovanisa maoko achiseka ega zvake ndokugara pasi
wotanga kudya, raimbodzika here sadza racho nemufaro
waainge anawo, aitoona ave kutodanana naTasara kare.

Nyepudzai aive apedza kubika ave kutandara nambuya


vake, avo vakatanga kumuudza shoko ravainge vanzwa
nasahwira wavo ainge auya kuzovaona masikati achiti
Tasara ari kutsvaga mhandara yokuroora, Nyepudzai aive
azvinzwa hake masikati naChenai, asi aisava nehanya
nazvo hake, aiziva kuti zvaisava nyore kuti atorwe
naTasara nekuzara kwainge kwakaita vasikana mudunhu
mavo.

"Dai vari kumhepo vakakupawo mukana wekupfimbwa na


Tasara muzukuru pamwe nhamo yedu ingapere,
ndototyira iwe ndikafa usati waroorwa unogara nani, ndini
baba ndini mai vako, vari kumhepo ndinzweiwo, mati
ndofa ndichitambura here"

Mbuya vaNyepudzai vakatanga kudemba demba


vachikumbira vari kumhepo kuti vapenyere muzukuru
wavo asarudzwe zvimwe nhamo yavo ingapera.

"Zvambuya vangu asikana, mobva mademba demba


kunge mafirwa seiko, handei kusikiro renyu tinovata, nhasi
ndiri kurara nemi, maswera muchiti musoro, hazviite kuti
murare moga".

Akasimuka wobata mbuya vake ruoko voenda kunorara.


Kupetwa kwechitsauko
https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185
*CHITSAUKO 02*

Kunze kwakafuma kwakakwidibira zviya zvokuratidza kuti


kuri kuda kunaya, senguva yechirimo, vanhu vaitoti pamwe
yavakuda kuturuka yebumharutsva, asi kwakazongochena,
kototanga kupisa. Ruramai aive amukira rungwanani
chairo achiita basa rake repamusha, aida kukasira
kupedza aone nguva yekugeza, sezvo aitarisira Nevanji
kuti ari kusvika chero nguva. Akapedza basa rose,
ndokubika bota remangwanani, hanzvadzi yake yaainge
akasira aida bota zuva rega rega,achipedza kubika, iye
kana kudya haana akabva atoenda kunogeza, akatora
nguva refu achinyatsokwesha man'a kuti aonekere chaizvo
iro bvudzi rainge ragadzirwa zvakanaka akati ainge agara
hake ane bvudzi hombe, raive roita kuyevedza zvino.
Ruramai aiva musikana murefu, aine muviri waiva pakati
nepakati, parunako aive akanaka hake, ganda rake aiva
mutsvuku tsvuku zvokuti vamwe vana achikura
vaimutsvinyira vachiti dzvuke, aiva akatodza amai vake
avo vaiva vakatsvuka zvakanyanyisa, Ruramai aiva
nedambudziko rekusagona kutaura nevakuru zvakanaka
aiva mwana uya akachenama, vanhu vomudunhu
vaitomuziva kuti haana tsika zvachose Ruramai, kana
achikwazisana nevakuru anotobata muchiuno hake, akada
kutukana nevakwegura waitoshaya pokupinda
nekumunyarira. Chokwadi regai vakuru vakati munhu
hauwane zvese, woti runako, kutsvuka, wozoti tsika kwete.

Akapfeka nhembe dzaipenya chaizvo dzaiita kunge


dzazorwa mafuta emhuka zvekuti aimuona aiti hameno
kumabiko kwaakokwa chete, akanogara parupasa namai
vake, achiudzwa mabatirwo anoitwa murume, vaviri vainge
votova pane chinwe chidanho pakurongera Tasara, asi
zuva rakasvika pakurova nhongonya vakaringa nzira chete,
Tasara ainge asina kuuya pamba pavo, baba vake Ruramai,
vainge vasinawo kuenda kumuzinda vachiti pamwe Tasara
achauya sezvo vakamuti azouya iyewo Tasara aiita kunge
anonyumwa kuti akarongerwa, mai vaRuramai vakatanga
kupopotera murume wavo nekusauya kwaNevanji pamba
pavo, Mutenda akashaiwa chekupindura nekuti iye
pachake aisati pwee kana mukadzi wake wotanga kutaura
aiita kudetemba chaiko semunhu asvikirwa.

Ruramai aona kuti baba namai vake vave kutotanga


kukandana mashoko, akabva asimuka wobuda pamba
pfungwa yake aida kuenda kumuzinda ikoko, kunoonekera
asi nyadzi manje sezvo kuchigara kwakazara varume,
akafunga zvekuenda achinotora Nyepudzai wongoti
ndiperekedze akananga kumba kwanaNyepu akasvika
achitomenya nzungu dzedovi, akagarawo pasi wobatsira
unwe wake, vachipedza akabva amuti ndatumwa
kumuzinda ndiperekedzewo, Nyepudzai aisada zvekuenda
kumuzinda asi, kuti arambire umwe wake zvaisaita.Vaviri
vainge vakatanga kutamba vese kare kare vachiri pwere
dzaiwetera parukukwe, hapana chaitika vakasaudzana,
ushamwari havo waitozivikanwa nehuku nemadzvinyu
chaiwo, ndiyani aisaziva kuti vane hushamwari
hwemandiriri.
Nyepu akasimuka, achizunza makoko enzungu panhembe
dzake, aida kuno chinja hake apfeke dzisina kusviba

"Nyepu urikupedza nguva asikana handei kani, uchiti


unoonekwa naniko".

Ruramai aisada kuti Nyepu apfekewo zvinotora moyo


waTasara, aida kuti asemwe aonekwe iye chete, kusaziva
hake kuti Nyepu wacho haanei naTasara, akanochinja
hake wopfekawo dzisina tsvina, ndokuoneka mbuya vake
vopinda munzira kuenda kumuzinda, Ruramai semunhu
aiva asina kutumwa, ainge wofunga zvekusvika achiita
kumuzinda,aizonoti kuna mai vaTasara ndauya
kuzokubatsirai basa, Vakatora nzira yokumuzinda,
vachingoti fambe chinhambwe, vakabva vanzwa kuseka
kumberi kwavo,Ruramai akanzwa kuti mazwi ari mberi
ndeevarume chete akabva achinja mafambiro wotambisa
chiuno.
Tasara ainge ari kufamba hake, achipinda mudunhu,
semunhu aiva pakutsvaga aiziva kuti pakutenderera
kwaachaita mudunhu haashayewo achatora moyo wake
sezvaainge akavimbisa baba vake kuti aizozvitsvagira ega
musikana werunako. Aifamba nevarandakomana vake
vaviri Tunga naChamu. Vachipota paseri pezimuti raiva
munzira yavaifamba nayo vakabva vaita mahwekwe
nemhandara mbiri, maziso aTasara akamhanya mhanya
chaizvo kutarisa aive akanaka, akashaya wekusarudza
ndokubva apesana navo, wozvitongesa ega, vese vainge
vakanaka,vaizosiyana kuti Nyepu aiva mutema uyu
Ruramai ari mutsvuku. Tasara zvakamurambira kuti asiye
mhandara mbiri dzichienda, akabva amira wocheuka,
achitarisa hake magadziko, akabata bendekete raChamu
ndokumuti ashedze vasikana avo.

Vasikana vakamira nguva imwe chete vachicheuka, Tasara


akabva atorwa moyo naNyepudzai, hutema hwake
hwainakiswa nemaziso ake aiva machena chena,akabva
atomuda.

"Iwewe huya kuno" akataura achinongedzera Nyepudzai,


asi Ruramai akabva ati "Inini ka,mwana wejindav
raMambo"

Ruramai haana kupa Tasara nguva yekupindura ainge


atosvika paari, Tasara achitarisana naRuramai hana yake
yakabva yarova, akashaya zvekuita kuti amudzinge kuti
ndirikuda uyo akabva atongosiyana nazvo ndokuti

"Unonzi ani, mangwana uuye kumuzinda, unosvikoti


urikuda kuona Tasara". Akatendeuka Tasara wopinda
munzira kuenda nevaranda vake.

Ruramai akasara akamira akayeva Tasara, aive atova


mudenga rechinomwe nemufaro chaiwo, akazotendeuka
wotarisa kuna Nyepudzai atoona vana Tasara
vatovharidzirwa vasisaoneke. Nyepudzai aive asina kufara
nezvainge zvaitwa naRuramai.

"Ruramai asi chiyi nhai asikana, ndini ndashedzwa


naTasara, anyatsonongedzera inini iwewe wakumhanya,
chiyi ruchiva here kana kuti igodo, hazvina mhosva".

"Eeh eh, Nyepudzai undikwanire, Tasara ashedza ini nekuti


ndakanaka kupinda iwe, iwewe pachako wakazvitarisa
ungakodzera, kupinda imba yeumambo, haufe
wakaunhuwa humambo iwe zvese nedzinza rako kana
vana vauchabereka, vachatamba nhamo sewe, ndopika
namai vangu"

Akabva aridza zitsamwa Ruramai ndokutanga kufamba


achisiya Nyepu akangomira aive adumbirwa nemashoko
iyo misodzi yoti mokoto, aive anyanya kubatikana
nekutukirwa hunherera hwake, akambogara pasi hake
wopedza shungu iyo misodzi ichiita rwizi hayo,
ndokuzonyarara hake, ndokusimuka wopinda munzira
kuenda kumba, asi mashoko aRuramai aiita kuuya
mupfungwa aingodzungudza musoro chete. Ave kusvika
kumba akabva agadzirisa chiso chake aisada kuratidza
ambuya vake kuti pane zvaitika, achisvika kumba
akananga kunhanga yake.

Ruramai akazocheuka achitarisa kana Nyepudzai


aitevera akaona kusina munhu akabva aridza tsamwa
hake, iye pachake aiziva kuti haasiriye anga ashedzwa
naTasara, munhu anga ashedzwa ndiNyepu asi aive
ashandisa kuchenjeresa chete. Ruramai akachinja nzira
wosiya yainanga kumuzinda hapana chainge achaendera
zvaainge achida zvainge zvaita kare, akaenda kumba
achiita sokunge achabhururuka nemufaro,zvekuti
kwakatomurebera kumba kwacho, aida kunoudza amai
vake kuti ainge akokwa kumuzinda naTasara.
Akazosvika pamba pavo, amai vake vakarara havo
pamumvuri akavamutsa achitadza kana kugara nekufara.

"Kwakanaka here kwawabva, mhandara yangu"

"Zvaita amai, zvazoita kani ndiri kufara" Akatanga


kutsanangurira amai vake zvekukokwa naTasara
kumuzinda mangwana, asi haana kutaura kuti aiita
hudyure munhu anga ashedzwa ndiNyepu, mai vake
vakasimuka vakarova mhururu, vachidzana nekutamba,
izvo zvakatonetsa baba vaRuramai avo vaitopindawo
muchivanze.

"Matemai huyai mundibatsire kutamba pano, zvazoita


Ruramai wadiwa naTasara". Mutenda haana kuzvibvuma
nyangwe hazvo aida chaizvo kuti mwana wake aroorwe
naTasara aitoziva mukadzi wake ari munhu anoita jee
nguva zhinji. Raruramai akabva atonhanga kunhanga yake
kunotsvaga nhembe dzaaizopfeka mangwana.
Tasara zvaainge ataura naRuramai haana kuda
kuzotenderera zvinoenda kure akabva atopinda munzira
kudzokera kumba, Chamu muranda wake akabva atanga
kutaura.

"Asi paye Tasara wanyatsoshedza ani chaizvo, hauna


kushedza Nyepudzai here?"

"Ndashedza mutema uya, asi anoitawo seakapusa wani,


rega ndione mangwana kuti Ruramai achatora moyo
wangu here, kana asina ndotora Nyepu, uye amai vangu
vachasarura muroora wavanoda".

"Ruramai kana neni ndikapihwa mahara handitor,,,".

Tunga aingewoda kurasa muromo akabva arangarira


kuti,Tasara aripo kuti ashoropodze Ruramai ari iye
waataura naye kuti auye kumuzinda zvaisaita, Tunga
naChamu vaiziva hunhu hwaRuramai, aiva akanaka
pachiso pamwe nekutsvuka asi aisava munhu wekurora.
Vakarega havo kutaura nyaya yaRuramai vaisada
kugumbura Tasara, vakachinja nyaya, voenda kumuzinda.
Vachinopinda mumuzinda Tasara akabva aenda kunamai
vake achinovazivisa kuti Ruramai aizouya kuno mangwana,
Chamu naTunga vakabva vanzi vaende havo kumba
vaizouya mangwana.

VaHosi vaisanyatsoziva vasikana vemudunhu mavo


semunhu aisafamba, vaitova nembiri yekudada, chaizvo
vaiva vakatosiyana nevanwe ana Mambokadzi vemamwe
matunhu, pavakaudzwa nezva Ruramai havana kuda kuita
hanya nekuti akaita sei, chavakazongofarira chete kuti
mwana weJinda ravo Mutenda. Vakabva vatobuda mumba
mavo voenda kunozivisa murume wavo kunhumba kwake.
Mambo vachinzwawo shoko rokuti Nevanji wavo ainge
asarudza mwana waMutenda vakafara chaizvo, kuwirana
kwavo naMutenda kwainge kwazoumba hukama. Vakabva
vatoti urayai mbudzi ichadyiwa mangwana, pachange
pachitandara vaviri.
Tunga naChamu, vachingobuda mumuzinda vakati
vatanga kutaura pamusoro paRuramai vaiita kuseka havo
vachitonzwira Tasara tsitsi nesarudzo yaainge aita kutora
Ruramai, nembiri yavaimuziva anayo, chero ivo vainge
vakatoyambirwa nevabereki vavo kuti vasatora Ruramai.

"Paye Tasara azvitorera mutoro, Ruramai akachenama


zvake munhu anobatira chembere dzemudunhu umu
muchiuno, haa pana Ruramai kuzvitorera ngo,,,".

"Aiita sei mwana wangu hee".

Vaviri vakavhunduka vachitarisana naMutenda baba


vaRuramai.

Kupetwa kwechitsauko
https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV
*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185
*CHITSAUKO 03*.

"Ndati aiita sei Ruramai muri matsi here, heya ndimi muri
kuda kuti arambwe naTasara nhaika, zvino regai ndigare
ndakuyambirai, akangosiwa naTasara chete, imi mobva
matoshaika mudunhu muno, manzwa ka".

Mutenda akataura achiswedera pedyo naChamu aida


kumuregedzera mbama asi Chamu akabva akurumidza
kukumbira ruregerero, Mutenda akabva amusikiza nayo
mbama, ndokubva apfuura hake kuenda kumuzinda.
Tunga naChamu vakasara vakangoti tumbi kumira
vakacheuka vachiyeva Mutenda achienda, vese vakabva
vatanga kufamba havana kuda kuzotaura nyaya
yaRuramai zvekare dzamara vanoparadzana umwe
wonanga kumba kwavo.

Uyu Mutenda ainge ari murume murefu ndiye akange


akafanisa vana vake vose kuremba, aiva murume azere
nehutsinye, aitozivikanwa mudunhu, aiti kana akubata
watyora mutemo aisabvuma kutaurirana waitoendeswa
kudare raMambo chete, padare pacho ndiye ega aioma
musoro kupinda mamwe makurukota ose, ndizvo
zvaainyanyo dirwa naMambo. Kuuraya vanhu kwaari
kwaiva kwakafanana nekuuraya huku chaiyo, vose
vanenge vangonzwika neguhwa kuti varikuda kupandukira
Mambo, vaizongoshaika avauraya hake, vazhinji
vaizongonzwa kuti nhingi akashaikwa izvo anenge
akandwa mubako naMutenda.

Mutenda zvaakapesana nanaChamu, akananga


kumuzinda aida kunozvinzwira ega nhau yaainge audzwa
naRuramai kuti asarudzwa naTasara, asi mashoko aainge
anzwa vachitaura ainge asina kumufadza akatopika
nambuya vake kuti mwana wake akangorambwa chete,
aizovadimbura musoro vari vaviri, uyu waitova mugariro
wake, aisapika nambuya vake nhando.
Achisvika kumuzinda akanotambirwa nenyemwerero
naMambo vake, avo vairatidza kufara vakamutarisa, iyewo
akabva aziva kuti vane nyaya, akanogara pasi wosweresa
Mambo wake, Mambo vakabva vamukorokotedza
vachimuudza kuti mwana wake ainge asarurwa
naTasara,Mutenda akaita kudetemba chaiko nemutupo
akati izvi ndozvaaigona chaizvo, waiti ukamunzwa
achirumbidza Mambo apa unoti zvimwe ari kurumbidza
musiki, mamwe makurukota vaitoti akadyiswa muti chete
naMambo.
Mutenda akatozobva mumuzinda atobatsira varanda
kuvhiya mbudzi iyo yainge yaurairwa mhandara yake,ainge
ave nechokwadi kuti mwana wake asarudzwa naNevanji.

Nyepu kubva zvaainge asvika pamba aive asina kubuda


munhanga make, aive atokotsira hake akatozomutswa
nambuya vake vachimubvunza kuti asi ari kurwara here,
akabva atomuka nguva dzainge dzafamba zuva raive
rakutonyura akabva agadza muriwo pamoto ndokutora
chirongo wonanga kutsime kunochera mvura yekunwa,
akasvika kutsime kwavaichera mvura kusina munhu
akachera ndokutsiga chirongo chake wokanda tsoka
kumhanyira kumba, aive wototyira hadyana yaainge asiya
pamoto kuti anowana yatsva.
achifamba kudaro akabva anzwa kamuridzo, asi semunhu
aisacheuka muridzo akaramba achifamba hake, ave
kutosvika kumba kwavo akatozonzwa munhu wofemera
mugotsi make akacheuka akaona ari Chamu, umwe
wevaranda vaTasara.

"Nyepu ndiri kukushedza, ndokumbirawo kutaura newe"


Nyepudzai akaramba achifamba hake, akatozomira
atoona kuti Chamu, ari kutevera, akabva amutarisa
"Chamu uri kudeiko, handina nguva ini ndasiya hadyana
yemuriwo pamoto"

Handisi kuzokupedzera nguva yako ini ndine mashoko


mashoma andinoda kutaura
" Uchindiona kudai handina rugare mupfungwa,
ndakatorwa moyo newe Nyepu Mwanasikana werunako,,
ndaishaya mukana wekutaura newe, nhasi ndatoti regai
ndisunungure zviri muchipfuva changu usati watorwa
nemajaya emudunhu muno ndinoziva kuti vese vakaisa
maziso pauri".

Nyepu akashaya zvekuita nemashoko aChamu,akatomboti


zvimwe ari kuseka hake asi akatoona kuti Chamu ainge
ari kurevesa, akangokwanisa kusekerera chete, ndokuzoti
aida nguva yekumbofunga. Chamu akabva atendeuka
hake woenda. Nyepudzai akamboramba akamira akatarisa
Chamu ndokuzotanga kufamba hake, woenda kumba, aive
atopihwa mutoro mupfungwa naChamu, imwe pfungwa
yaitoti Chamu ndiye chaiye akakodzera, zvekurorwa
kumuzinda zvainge zvarambana naye uye aive audzwa
naRuramai kuti haakodzere kuroorwa kumuzinda, saka
akatoona kuti kubvuma Chamu kwaitova
kwakanaka,akatanga kunyemwerera hake ega, akabva
afunga kuudza mbuya vake kuti apfimbwa naChamu,
muzukuru wambuya Chiga,achingosvika chete akabva
atozivisa mbuya vake
Avo vaiziva mhuri yekwaChiga iri mhuri ine tsika chaizvo,
vakatokurudzira muzukuru wavo kuti abvume hake, sezvo
mhuri yacho vayiiziva, akapedza kubika pamwe nekudya
ndokunorara havo, Nyepudzai ainge ave kufara hake kuti
ave kuzopinda murudo naChamu.
Ukuwo Ruramai kwakamunonokera kuedza kunze idzo
hope dzainge dzapera kare kwakazosara kwachena hako,
asi pfungwa dzainge dzatova kumuzinda kare, kuchiedza
akamuka wogadzirira kuenda kunoona Tasara, kana basa
repamba chairo haana kuita aitoona sokunge
anotononoka. Akapedza kugeza ndokubva anooneka amai
vake ndokupinda munzira wonanga kumuzinda.
Akanosvika pasuwo remuzinda achiri mangwanani,
machinda aMambo vainge vakaudzwa nezvake kare,
vakamutendera kuti apinde,umwe akabva afamba naye
womuratidza kugota kwaTasara.
Ruramai zvakaratidzwa kugota kwaTasara aive atonosvika
pasuwo , asi akakurumidza kufunga kuti akaendako
anenge aratidza kushaya hunhu,akapfugama paruvanze ,
dzamara vabatsiri vaMambokadzi vamuka, achibva
atotanga kubatsirana navo basa aida kuti Mambokadzi
pamwe naMambo pavanomuka vomuwana achishanda.

Tasara ndiye akazopedzisira kumuka mumuzinda, husiku


ainge asina kurarawo zvakanaka achifungawo mashoko
aya ainge akaambotaurwa naChamu nezuro pamusoro
paRuramai kuti ainge asiri musikana wekuisa pamba,
Tasara achibuda panze akabva ashedzwa namai vake,
kuimba yokubikira, uko kwaiva naRuramai, akapinda
achitarisana naRuramai, akamutsa amai vake ndokubva
akumbira kuvaona panze achiti ari kuda kutaura navo, mai
vake vakabva vasimuka vobuda, vachida kunzwa mashoko
aiva nemwana wavo.

"Amai, musabva mafarira Ruramai kunge atova muroora


wenyu ka, ndakamuti auye kumuzinda kwete kuti atova
musikana wangu, ndichiri kumbofunga zvakanaka"

"Wave kupenga here Tasara, nezuro wakati kudiyi pano,


wakarega baba vako vachiuraya mbudzi, asi une umwe
musikana waurikuda kupfimba here mudunhu umu"

"Ndakanzwa naChamu achiti Nyepudzai ane tsika


kupfuura Ruramai".
"Chirega aswere hake sezvo anga atouya, wozoona
zvekuita,kana aenda asi wototaurira baba vako vazive, kuti
une umwe wauri kuda".

Tasara akabvumirana namai vake, asi akatya kuudza baba


vake kuti ainge ava neimwe pfungwa pana Ruramai apa,
akaenda kugota kwake, wonozvambarara hake,pasina
nguva pakauya muranda sikana akatungamidzana
naRuramai, vaine mbiya dzezvokudya Ruramai akabva
asara naTasara vari vaviri, vakatanga kukurukura havo
nyaya, Ruramai aingozhinya hake asi Tasara aisaseka.
Ruramai ainge wotoona kuti Tasara waakaona nezuro
haasiriye wainaye muno mumba, akamboti zii kufunga
hake, pfungwa dzake dzakabva dzangofunga nguva
yaainge yauya Tasara achishedza amai vake, Mambokadzi
pavainge vadzoka mumba vainge vangomupa ziso chete,
iro raakabva atofunga nezvaro kuti ranga rine chirevo, aive
atova nechokwadi kuti Tasara namai vake vane zvavainge
vataura pamusoro pake chete asi zvaisabvunzika kuna
Tasara.
Vaviri vakaswera havo vese vachizeya dzerudo asi
Tasara aingotaura kuti zvipfuure chete, aisarevesa
nemoyo wese pfungwa yake yaive yatova kuna
Nyepudzai,zuva rakasvika pakuda kunyura Ruramai achiri
mumuzinda chete aive aisatode nekubuda mugota
maTasara aingoti dai andibatawo kana zamhu zvaro asi
hapana chakaitika, akatozoita kudzingwa kunzi chienda
kumba, akabva anzi usauye kuno ndisina kukushedza,
nemashoko aya akabva atoziva kuti Tasara ava neimwe
pfungwa, akabuda mugota make, ndokuenda kuimba
yokubikira wonooneka VaHosi, akabva arongedzerwa
nyama, ndokupinda munzira woenda kumba, achifamba
akatanga kutaura ega, aive asina kufara nemabatirwo
aainge aiitwa naTasara, akatozosvika pedyo nepamba
pavo achingotaura ega, ndokutonyarara aona mai vake
vari pachivanze vakamutarisa, vakasweresana ndokupinda
mumba vogara, mai vake vaiva vakamirira kunzwa nyaya
dzinofadza asi vakaona chiso chemhandara yavo chisina
mufaro, vakamubvunza vachibva vaudzwa kuti Tasara aive
woratidza kusamufarira, vakabatikana ndokumbonyarara
kwenguva, vakufunga kuti zvino akarambwa
ndinozonyarira kupi, ivo masikati vaiva vatoudza imwe
shamwari yavo nezverudo rwevaviri ava.

"Usazvidya moyo Ruramai,handei kwambuya Makovero


vanonozvipedza zvidiki izvi, ini unoti baba vako
ndakavawana sei, vaidiwa nevakawanda ava, asi
ndakangogona kutaura nevakuru chete"
Nguva iyoyo mai nemwana vakasimuka ndokubuda
mumba votungamidzana kuenda kwambuya Makovero,
ava vaiva mbuya vaibatsira vanhu chaizvo hapana
mushonga wavaisaziva,Ruramai namai vake kunze
kwakatonyanyisa kusviba vasati vasvika kwambuya
Makovero,vakazosvika havo ndokutambirwa nembwa
dzakatanga kuita ruzha, vazukuru vambuya Makovero
vakabata imbwa vaviri ndokusvika, sezvo nguva yainge
yapera vakangosvika nekusada kutenderera mai
vaRuramai vakakumbira kuona Mbuya, avo vakabva
vatoziva, vakasimuka vose voenda mune imwe imba
yaiitirwa matare, vakanopfeka machira avo ndokuronda
dare rainge rauya nevaeni vavo, vakadzvova havo kamwe
chete ndokudzungudza musoro..

"Muzukuru tsoro yenyu ndaironda, uri kuda kuita mwenga


waChangamire, ko zvawanga watoita mhanza asi ndaona
shamwari yako Nyepudzai iriyo yakuda kutarisirwa kuti iite
mudzimai waNevanji, unoda kuti ndikuitirei".
"Ngaafe Nyepudzai asatora mukomana wangu".

Akapindura asina kuzvipa kana nguva yekufunga Ruramai


aive atozvipira kuurayisa Nyepudzai pfungwa dzake
akatoti zvimwe ave kutodanana naTasara kare izvo kwete
aive asina kunzwa kutaura kwesvikiro iro rakaenderera
mberi nokutaura, "Muzukuru Tasara ndiye arikuda kutora
Nyepudzai asi mhandara iyi ndatoona yatova nejaya
rakatora moyo wake, iwewe zvawauya pano zvatonaka uri
kuzoita Mambokadzi ndinopika nevari kuuzuru ini,
ndinonzi Makovero muzukuru waDenhai, mushonga uyu
unogeza kusemeso kwako uchiri pano uchitaura zita
raNevanji uyu unoisa mumafuta okuzora pese paunoda
kuenda kumuzinda kana kusangana naTasara unofanira
kuzora, hapana chimwe chaanozofunga kunze kwako
chete,kana zvaitwa mozouya nemuripo wehuku
nhema,chiendai vazukuru ".

Ruramai akatambira mushonga uya ndokugeza huso


hwake sezvainge zvataurwa, waainge anzi aende nawo
kumba aive aisa pakanaka vakabva vabuda namai vake
vopinda munzira, aive wofara zvino kuti ave kuzomutora
Tasara uya asingade achida.

Kupetwa kwechitsauko
https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964
Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185

*CHITSAUKO 04*

Zuva rakatevera racho,Nyepudzai akafumira kuita basa


rake repamba achipedza akabva aoneka mbuya vake,
wopinda munzira kuenda kunotsvaga huni mujinga
mechikomo umo dzaiwanika nyore, mbuya vake
vakangomuti akasire kudzoka, asi vaiziva havo kuti
muzukuru wavo aisaita hwebete, Nyepudzai aingofamba
zvake achiimba karumbo kaaifarira ako kaaiwanzoimbirwa
naGogo vake vachimuudza nhoroondo dzepasichigare.
Nyepu akasiya nzira yaifamba neruzhinji ndokutora
yainanga kuchikomo, ari pakati pokuimba hake
akavhundutswa nembwa iyo yakangomira yakamutarisa,
acheuka cheuka, achida kuona kana iine muridzi ndokuita
mahwekwe naChamu, zvekuti hana yake
yakarova,akangoyerekana abuditsa mashoko
"Wandivhundutsa Chamu, uri kutsvagei muno musango,
asi wanga uchinditevera kani?"

"Ndingatobvunza iwe Nyepudzai, kuti uri kuitei wega


muno, unoziva here kuti mune zvikara, ukadyiwa nezvikara
muno unoda ndizokuwana kupi umwe anenge iwewe"
Vakabva vanyemerera pamwe chete Nyepudzai aida
kuziva kuti Chamu asvika sei paari, akabvunza zvekare
"Hauna kundipindura Chamu, ndati wanga uchindironda
asi?"
"Kwete kwete, ndauya kuzotarisa misungo yangu yenjiva,
asi midzimu yangu yabva yandirangarira
nekundisanganisa newe chiponda moyo changu,
mwanasika werunako akaba moyo nepfungwa dzangu,
wambomuka sei zvako nhasi?"

Nyepudzai akatadza kana kupindura aive wonyemwerera,


kunyanyisa mashoko anotapira ainge wotaurwa naChamu,
uyo asina kuda kupedza nguva ainge wotobvunza
mhinduro yake
panyaya yavo yerudo yavainge vakasiira panzira
nezuro,Nyepudzai semunhu aive akatotorwawo moyo
naChamu, akamboti pamunhondo pamusasa asi, sekuziva
kwedu, mashoko ejaya anotapira seakarungwa,
mwanasikana akashaya kwekutizira achibva azopedzisira
nekudurawo zvaiva muchipfuva chake kubvuma shoko
rerudo. Vaviri vakabva vafamba zvishoma vonogara pane
chinwe chidombo vave kuyemedzana zvavo pamwe
nekukurukura.
Chamu aiva nherera hake, vabereki vake vainge
vakashaya kare aive akaita kukura achichengetewa
neimwe mhuri yaaishandira kufudza mombe, izvo
zvakanyanyisa kuita kuti rudo rwavo rubate hapana
aizotsvinyira umwe sezvo vese vainge vari nherera vaitova
nechido chekusunga hukama uye kuzogarisana. Chamu
aive nemichero munhava yake akapawo umwe wake
vakatanga kudya havo vachiita nyaya. Vakazosimuka
pachidombo pa vainge vagere,zuva rorereka Chamu
wotsvagira mudiwa wake huni, uyo aive agara zvake pasi,
ndokuzosimuka svinga rake ratosungwa, akabva apihwa
tsuro nenjiva mbiri naChamu ndokupinda munzira kuenda
kumba,akanosvika kumba zuva ratonyura akawana mbuya
vake vasipo aiziva kuti vaenda pamba pemuvakidzani
wavo apo vaiwanzokumbira chikwepa akabva atanga kuita
zvekubika hake.

Aripakati pekubika sadza akangotanga kusekerera afunga


hake mashoko anotapira aainge aswera achiudzwa
naChamu, kana mbuya vake vakazvionawo vachisvika
pamusuwo vakatoseka havo, ndokutanga kumunyomba
vachiseka havo vachimuti ucharota Chamu nhasi.
Akapedza kubika ndokudya achibva abata mbuya vake
rwoko sezvo vaisanyatsoona husiku ndokuenda kunorara,
asi kwaari hope dzainonoka kuuya semunhu aive
achangotanga kupinda murudo, aiita seachabata denga
zvake nemufaro. zvimwe chetewo kuna Chamu, aiitawo
sokunge achashedza amai vake kuti Nyepu nekufungawo
mudiwa wake, aitotenda hake Tasara aiva akasarudza
Ruramai akasiya Nyepudzai, aingoti dai kwachena
anotaurirawo umwe wake Tunga nezverudo
rwake,akazongobatwa nehope, ndokurara.
Kunze kwakafuma kwakakwidibira zviya zvokuratidza
kuti kuri kuda kunaya, senguva yechirimo vakuru vainge
voti yebumharutsva yave kuda kunaya, Tasara akamuka
woenda padare kunodziya moto, kwaiva nechando,
akawana padare pane machinda maviri, akavamutsa
ndokubvunza kana baba vake vaiva vamuka asi akaudzwa
kuti vachiri kunhumba yavo, akatoti haabude mumuzinda
asina kutaura navo aida kuvaudza nezva Ruramai kuti
aona asingakodzere kuita mudzimai wake ave kutsvaga
mumwe, akagara dzamara kunze kwatopisa
zvakamunetsa kuti baba vake vabatwa nei kubudirwa
nezuva vasati vauya padare, pakarepo akabva avaona
vakuuya, kudare, akavamirira kuti vasvike,vachisvika
akamutsana navo vachigara pasi, akaenda pedyo navo
ndokutanga kutaura, achinongoti baba, pakabva pasvika
muranda wamai vake akatungamidzana naRuramai uyo
aive auya kuzomutsa Mambo, vaviri vakapfugama
ndokumutsa Changamire vachiombera, Tasara aive woita
sokunge abatwa nechadzimira chaicho, ave kuona
kuyevedza kwaRuramai uyo akasimuka woenda, Tasara
akangosara akaudyura maziso semunhu adzipwa
nemusuva wesadza, achishaya chokutaura aive
wozvitongesa kuti ndiye here Ruramai wandiri kuda
kuramba akanaka kudai,akatozovhundutswa nababa vake
vakamutaudza vachimubvunza kuti wanga uchida
kutiyi.Akambombwaira maziso nhando ndokuti

"ndanga ndichida kukudzai kuti, ndiri kufara chaizvo


naRuramai mwana waMutenda" Baba vake vakasekerera
chaizvo, ndokupindurawo vachiti

"Zvinofadza izvi mwanangu,Ruramai ane tsika dzinonwisa


mvura apa wandifadza,zvose zvamuchada ndichakupai"

Tasara akatenda baba vake nekumuvimbisa pfuma, iye


haana kuzogarisa padare apa aida kumhanyira Ruramai
asati abuda mumuzinda, aive ave kutonzwa kumuda
zvakanyanyisa kubva paainge angomuona padare iya
pfungwa yekumuramba ainge aitoirasira kure , akaenda
kuimba yokubikira yamai vake uko kwaiva kugere Ruramai
achibatsira amai vake kukanga nzungu dzedovi. Tasara
akamutsa amai vake mangwanani ndokubva araira
Ruramai kuti atevere kugota kwake. Kusaziva hake kuti iye
Ruramai wacho aiva atononokerwa, nekushedzwa
naNevanji kugota iye akabva atosimuka nguva iyoyo,
mumoyo aifara chaizvo achirumbidzawo mushonga
waainge akapuhwa nambuya Makovero, akanopinda
mugota maTasara, ndokusvikomira nechekure naTasara,
uyo akaramba akamuyeva ndokuti

"Mwenga wamai vangu Ruramai, wakarurama pachiso


sezita rako, ndinokuvimbisa rudo rusingaperi, swedera
pedyo ndinzwe kurova kwechipfuva chako, nawo meno
ako machena anoyevedza kutarisa,ndinoku,,"

Akatadza kupedzisa mashoko ake, aswedera pedyo


naRuramai vachibva vambundirana nguva iyoyo,
pakamboita runyararo kwenguva, vaviri vachiteverera
kumhaya kweropa mumuviri, vakazovhiringwa nemunhu
akagogodza pasuwo regota raTasara, uyo aive atumwa
naMambo kuti amushedze auye padare ,anobuda achisiya
Ruramai mugota make, pfungwa dzake aida kunongonzwa
kuti baba vake vari kudei, nekuchimbidza wodzoka
kuzotandara nemudiwa wake, asi akasvotewa achisviko
udzwa nababa vake kuti avaperekedze kuNinga
rematateguru avo iro ravaishanyira kana pane zvavari kuda,
Tasara akamboda kuramba asi aiziva hake kuti kupedza
nguva kuteya nzou neriva chaiko, aivaziva baba vake kuti
vaisambomusiya pakuenda kuNinga, akasimuka
wodzokera kugota kunotora nhava yake pamwe
nekuonekana nemudiwa wake,akabva abuda hake
wopinda munzira nababa vake pamwe naMutenda jinda
ravo guru.

Chamu aive agere zvake paruvare rwaivaseri kwehozi


pamba paaigara semufudzi wemombe, aiva mubishi zvake
kurodza pfumo rake, achingonyemwerera ega hake,
sikunge pfumo raimuudza mashoko anotapira izvo kwete
pfungwa dzainge dzatova kuna Nyepudzai,
akatozovhundutswa nembwa ya Tunga, iyo yakasvika
paaiva ari, akacheuka achida kuona kuti yauya nani imbwa,
akabva angotarisana naTunga, vaviri vakakwazisana
nemufaro, Chamu aisada kupedza nguva akatoti
zvaatouya Tunga zvanaka akatotanga nekutsanangurira
kupfimba kwese kwaakaita Nyepudzai uye kudiwa
kwaakazoita, asi Tunga akatanga kuseka zvake
ndokuzoti

"Ana Chamu kana mazvimbirwa nenhopi, munotaura


kwamusina kuswera ka imi, iwe chaiye ungadiwa
naNyepudzai"
Chamu akagegedza hake kuseka,achipedzisa
nekurovanisa maoko ake ndokupindura hake zvinyoro
nyoro
"Heya unonditarisira pasi nhai, ngaichisiya matambo
hayo, zuva randichanosiya nhumbi ndipo pauchaona kuti
harisi dambe"
Tunga akaita kurasa mweya zvake nekuseka, pakarepo
vakabva vachinja nyaya vave kuronga zvekunovhima havo
kuchikomo chaMupfure, pakarepo vakabva
vatotungamidzana vonanga kunovhima. Vari munzira
kuenda vakabva vaita mahwekwe naNyepudzai ana
Ndaizivei vachienda havo kunotsvaga michero, Chamu
akatoti midzimu yake yabva nepi, semunhu aida kuratidza
Tunga zverudo rwake naNyepudzai, akabva ambundirana
naye vachikwazisana, izvi zvakaita kuti Tunga angoramba
akashama kuratidza kupererwa nemashoko chaiwo,
mupfungwa dzake ainge atobatwa negodo chairo
aisazvitenda kuti Chamu nenherera zvayo uye mufudzi
wemombe angadiwa netsvarakadenga iyi, haana kuzoda
kuenda kunovhima kwacho, akanyepera kuti musoro,
ndokutooneka achiti ave kudzokera kumba kunorovera
matama pasi, Chamu haana kuda kuzvinetsa hake,
akafamba nevasikana vaviri ava wonovatsvagira michero.

Uyu Tunga zvainge aparadzana naChamu, achingopota


seri kwechigwenzi akabereka tsoka kumhaya kumuzinda,
aida kunozivisa Tasara kuti tsvarakadenga Nyepu aenda
naChamu,akanosvika kumuzinda achiita hushamwari
nemhepo akatozonotura mafemo ava pasuwo remuzinda
apo akamiswa nevarindi vachimubvunza kana ainge
atumwa sezvo Nevanji vainge vabuda naMambo,
akasvotewa kunzwa kuti Nevanji havapo, akatoti
ndovamirira kudzoka kwavo, iye semunhu aimbofamba
naTasara, varindi vakamubvumidza kuti apinde zvake
mumuzinda anomirira aripa dare.
Akapinda ndokunogara padare, muchinguva chipfupi,
Tasara akapinda mumuzinda akatungamidzana nababa
vake, Tunga chipfuva chaiita kuremerwa neguhwa
somunhukadzi, akatadza kana kukwazisa Mambo,
akangonozevezera Tasara munzeve zvekuti iye Tasara
wacho akatoshaya kuti inhau yei, izvo zvakamupa
kusimuka woenda kugota kwake vari vaviri, vachinopinda
mukati, akabvunza Tunga, ndokutaurirwa nyaya yaainge
auya nayo, asi akaitora seisina basa hayo izvo zvisina
kufadza Tunga, uyo akangoyerekana arasa mukanwa woti
"Ko zvaunoita seusina hanya nezvandataura, une
chokwadi kuti ungarega gwereweshe Chamu achitora
tsvarakadenga iwe Nevanji uripo ndiani akarurama sa
Nyepu muno mudunhu"
"Hongu akarurama hake ko, kunodyiwa here nhai Tunga,
ini ndakasarudza Ruramai, handifunge kuti ndingazoda
umwezve, uyezve iwe ziva munhu wauri kutaura naye"

"Iwe Tasara wakadyiswa muti chete, Ruramai chapa iy,,"


Akatadza kupedzisa mashoko ake, apotswa netsvimbo
musoro, akatozobuda achimhanya sembeva.

Kupetwa kwechitsauko
https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na
Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185

CHITSAUKO 05.
Ruramai nguva dzaainge abva kumuzinda kumba
akangosvikotora chirongo chake wonanga kutsime asi ari
munzira akafunga kuenda zvekare kwambuya Makovero
kunovatenda, mushonga waainge akapuhwa nambuya ava
waive waita kuti mhuri yese yeumambo imude, kunyaya
Tasara pache zvake, akasvikowana varipo ndokutambirwa
nemufaro, achibva angovatenda sezvaainge afambira
ndokubva apihwa umwe waaizoita kudyisa Tasara pamwe
nemhuri yese yaMambo asi izvi aizozviita achishandisa
varandasikana vamambokadzi, haana kuzogarisa hake,
akaoneka ndokupinda munzira woenda
kutsime,akanochera mvura ndokuenda kumba,
achinosvika kumba akasvikirana naManyara umwe
wevaranda vaMambokadzi, zvekuti hana yake yakarova
kuti kwaitikei aiziva varandasikana vaMambokadzi
vaisangofamba kupinda mudunhu nhando, akaita
seachadonhedza chirongo achida kunzwa kuti kwakanaka
here,akagadzika chirongo pasi ndokukwazisa Manyara
achinotora dehwe rekugarira asi akabva ati haasi kugara
"Usazvinetsa hako Ruramai, ukati ndine nguva here
ndatumwa naMambokadzi kwambuya Mbida kunotora
hadyana yavo zvino ndati ndipfuure nepano, ndichikuruma
nzeve hangu, handina daka newe"
Hana yake yakanyanyisa kurova paitaura Manyara uyo
akaenderera mberi woti
"Wakanyanyomutadzirei Tunga nhaiwe, zvandanzwa
zvandikanga mate mukanwa, auya kumuzinda ndokupinda
mugota maTasara, ini ndabva ndatumwa naMambokadzi
nembwire mbwire, kunopa Nevanji sezvo akanga abuda
naMambo dzavanguva, ndati ndichisvika pagonhi ndanzwa
Tunga achitaura nezvako ndabva ndamira
kugogodza,anga achitoudza Tasara kuti asiyane newe
apfimbe Nyepudzai ane runako kupinda iwe asi Nevanji
ndanzwa vachiramba, ndazongoona Tunga achibuda
achimhanya handizive kuti angaarohwa here kana kuti, asi
mungwarire achakurambanisa naNevanji, chirega ndiende
ndingazosvikoudzwa magara moyo naMambokadzi ".

Manyara haana kuda kumirira mhinduro, akatanga


kufamba wobuda muchivanze, Ruramai akasara
akamuyeva dzamara asisaoneka, iye ndokugara pasi
akabata rushaya, aive abatikana nezvaainge audzwa,
akatanga kufunga kana aiva nedaka naTunga asi
akarishaiwa nekutsamwa akatanga kutaura ega achirasa
maoko zvekuti aimuona aitoti zvimwe vaviri chete,
akazovhunduka anzwa kukosora kwababa vake, akada
kuzvigadzirisa chiso asi vainge vatomuona kare,
akapfugama ndokuvakwazisa asi vakaramba
vakamutarisa
"Ndaswera zvakanaka chimhandara changu, chiyi chiri
kukutambudza, iwe wasarudzwa kuva Mwenga waMambo,
midzimu yatirangarira mwanangu, mwaka uno ndezvedu"
Iye akabva angotaurira baba vake zvainge audzwa
naManyara pamusoro pa Tunga, avo vakambonyarara
havo ndokuti
"Heya vakomana ava havana kunzwa yambiro yangu,
ndichavatwasanudza vakatamba neshashiko yaamai "
Vakataura nezwi rainge rizere hukasha zvekuti iyewo
Ruramai akatadza kunzwisisa dimikira raiva rataurwa uye
pavainge vati vakomana ,vapi iye ainge avaudza zvaTunga
chete haana kuda kubvunza hake akangosimukawo
wonokanga mutetenerwa une munyu kuti baba vake
vamwire mvura.Akapedza kukanga ndokunovapa avo
vaingonotaura vega havo neshungu, iyewo Ruramai aive
achingotaurawo ega ainge wotorwa shanje naNyepudzai
aisada kuti Tasara adzose ziso rake panaNyepu sezvainge
akaita zuva ravatanga kusangana riya iye pachake kana
hushamwari naNyepu aiva asisade zvachose. Akanopinda
munhanga, ndokumbomira hake akabata mushonga uya
waainge abva kunotora wekudyisa Mhuri yaMambo,
akazviudza kuti anofanira kuzviita nokukasika asi munhu
waaizopa kuti aisire mhuri iyi mune zvokudya ndiyani
nekuti apa paitoda munhu ari pedyo naMambokadzi, achiri
pakati pekuzvibvunza mibvunzo akabva akasika kufunga
Manyara ainge aenda kwambuya Mbida, nguva iyoyo
akabuda wotora chirongo kuita seari kuda kunochera
mvura izvo kwete aida kunogarira Manyara munzira ataure
naye, aisada kuti baba vake vamubvunze mibvunzo.

Akanomira panzira paipfuura naManyara uyo asina


kuitawo chinguva akabudikira akatsiga tswanda, vaviri
vakamira vose sevanhu vaive vamboonana, Ruramai nhau
yaaiva nayo yaisava diki aiita kushaya pokutangira sezvo
zvaisava nyore kungovimba munhu wausina hushamwari
naye, akambotsenga tsenga mukanwa seharahwa yapera
meno, ndokuzokosorera woratidza kuda kutaura, izvi
zvakatoonekwawo naManyara akabva amurerutsira
nekumubvunza.

"Ruramai une zvauri kuda kundiudza here, taura hako


usatya ini ndine chipfuva ndasiyana nana Yeukai"
" ZvaManyara asikana, chirega ndingotaura asi ndanga
ndisiri kukuvimba, ndine zvandiri kuda kuti undiitire,
ukandiitira izvozvo chete, handimbofa ndakakukanganwa
chero ndikazova Mambokadzi iwe uchava mubatiri wangu
wepedyo, rangarira nyaya yawandiudza iye, ndikaita
zvekutamba ndinosiwa, ndiri kuda kuti unondiisira muti
uyu mune zvokudya zvemhuri yese yaMamb,, ".

" Kuita sei Ruramai, zvimwe ndingaite kwete izvi, ko


ndikabatwa ndinoita sei, ndikasadamburwa mutsipa
naMambo, ita wega izvi rega ndiende ndingatononoka"

Anotanga kufamba Manyara zvekuti Ruramai anongosara


akati tumbi kumira, anomboedza kumushedza asi
Manyara anoomesa gotsi hake achienda, Ruramai anosara
akatarisa mishonga yake, anozonzwa izwi raManyara kuti
maihwee, anosimudza musoro wanike, Manyara akatunga
muvhu nemuromo tswanda iri kwakadaro uko anomhanya
paari, wosvikomubata kuti amusimudze, hari dzese dzaiva
mutswanda dzainge dzatsemuka.
"Waita sei Manyara hauna kukuvara here ndine hurombo".

"Usatyira ini Ruramai, tarira zvaita hari dzaMambokadzi,


nhasi ndinodzingwa mumuzinda chete ndodziwanepi
dzimwe dzakaita seidzi"

Ruramai akatarisisa hari dziya ndokukwenya mhuno


nekasiyanwa hake aiva nadzo kumba kwavo
dzakangofanana neidzodzi, akaita seari kunzwira umwe
wake tsitsi ndokuti
" Ndaigona kukubatsira kumba dziriko idzi, asi
dambudziko Manyara haukwanise kundibatsirawo zvino
ndokubatsira sei".

"Ndoita zvese zvaunoda, ndapota ndibatsirewo".

"Tanzwanana manje, tambira mushonga uyu unoisa mune


zvokudya zvaMambokadzi nemhuri yese usaregedza
ukasaisa ndozviziva uye ndouya kuzotora hari dzangu"

Manyara akabvumirana nazvo ndokutambira mushonga


uya, vaviri vakatungamidzana voenda kumba kwana
Ruramai, uko akasvikopihwa hari mbiri ndokubva aenda
kumuzinda, asi ari munzira aizvitongesa iye pachake
aisada kubata mishonga asi apa ainge abvumira kuti
angopihwa hari dzaaida, ave kusvika kumuzinda akafunga
kurasa mushonga uya, achibvisa paainge asungirira
akanzwa vanhu kutaura mberi kwake akabva auviga
zvekare, ndokufamba wopinda mumuzinda,akangosviko
tambirwa nehukasha naMambokadzi
"Manyara wave kuda kuzviita Nyachide waMambo pano ,
ndakutuma nguvai wave kutodzoka zvako nguva ino,
wanonoka uri kupi usandiudza kuti mbuya Mbida vanga
vasiko, havabve pamba pavo, kurumidza kunogadza
muriwo".

Manyara haana kupindura hake, aiziva kuti Mambokadzi


havadi kudairwa vaisanonoka kutambidza ruoko,
akafamba wonopinda mumba worongedza hake hari dziya
asi hana yake yaingorova, akatora chimukuyu ndokugadza
pamoto sezvaainge arairwa, apedza kugadza hadyana
akabuda kuenda kunhanga kwavairara nevamwe vabatsiri
vamambokadzi, aida kumbo penengura mushonga uya
aone zvawakaita, achingouvhura akabva anzwa Revai
umwe wevabatsiri vamambokadzi achisvika pamusuwo
akakurumidza kuvhara asina kuziva hake kuti Revai ainge
atoona kare, uyo akangopinda nekutanga kutaura

" uri kuvigei Manyara tione chiyi ichocho"


Manyara anosunga chiso zviya zvekusada kuseka naRevai
anobva abuda akapfumbata maoko ake woenda kuimba
yokubikira, uko anosvika Mambokadzi vari pahadyana
vachitorunga munyu, anosvikogara anyerere hake, Revai
anobva apindawo nguva iyoyo vaviri vanotararisana zviya
zvine chirevo asi Mambokadzi havana chavanoona avo
vanobva vabuda havo vasiya varaira Manyara kuti
aenderere mberi nekubika.

Manyara anoita sekurairwa kwaaive aitwa naMambokadzi,


aona zvino kuti muriwo waibva aida kuisa mushonga uya,
asi Revai haabude mumba yokubikira anombozama
kubuda iye achiti zvimwe achateverawo panze asi kwete,
Manyara anoshaya zvekuita uyu ndiwo wainge uri mukana
chaiwo wekuti arunge mushonga, akazoti midzimu wabva
nepi paakanzwa Revai woshedzwa naMambokadzi panze,
achingobuda chete akabva akurumidza kutora mushonga
uya ndokumhanya muhadyana, pakarepo akanzwa izwi
raRevai

"Chiyi chawaisa, mumuriwo Manyara, ndakagara


ndakuona kare, waisei ndishedze Mambokadzi izvezvi,
Mamboka,,,".

Manyara anoita kupfugama chaiko achiombera kuti Revai


asataura, anomuvimbisa kuzoita zvese zvaanoda kuitirwa,
asi Revai anoramba nerokuti mushonga wei, uye watumwa
nani, Nekuda kuregererwa Manyara anotaura zvese
zvekusangana kwake naRuramai asi Revai ainge akagara
asinga farire Manyara nokuda kwekuti ndiye aidiwa
naMambokadzi kupinda vamwe vese, saka apa akatoti
ndawana pekumuwanira akabuda nguva iyoyo achishedza
Mambokadzi achibva atovaudza zvainge aona,
vakanopinda vese mumba, Manyara aive angopeta maoko
haana kupedza nguva akabvuma achiti atumwa
naRuramai kuti avadyise vese awane Tasara, Mambokadzi
vakamuregedzera mbama nekuseri kweruoko,vachibva
varaira Revai anoshedza Tasara, pamwe nekuzivisa
Mambo.

Mambo Chatikobo vaisada kunzwa nyaya dzemadzimai


pakasvika Revai achipfugama asati ataura vakatoti nyaya
dzenyu pedzai naMambokadzi asi pavakazoona mudzimai
wavo ouya achifemera pamusoro sendere vakabva vaziva
kuti pane zvainge zvaitika, vakavachingura nemubvunzo
" Kwanaka here nhai vadzimai zvomoita sefurira
mudenga kudai".
"Kuchinakei, irwo rwumwana rwaMutenda kuda kuti
pfuhwira pano, ndabata Manyara achiisa mushonga
muhadyana yemuriwo ati atumwa naRuramai,,".
Kupetwa kwechitsauko

https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964
Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185

*CHITSAUKO 06*

"Aiita sei, mushonga mumuzinda mangu hee?"


Chatikobo akasimuka achikwamarara nehasha
sehoromba rarumwa nerize, akanhonga tsvimbo yake,
woraira kuti Manyara auye padare nokuchimbidza, uyo
akabva auyawo achisvimha misodzi,Chatikobo achiona
misodzi iyi akatowedzera huturu, akaswedera pedyo naye
ndokuti
"Usandisemesa nedziwa renhema, iwe mwana wenyoka,
ndinokutsatisa uropi ukadyiwa nemasvosve izvezvi,
mushonga wawanga uchiisa muhadyana ndewei hee,
unoda kundiuraya, iwe dzetse randiri kuchengeta"

"Pa, pamusoro Changamire, hakusi kuda kwangu


ndapihwa naRuramai, kuti ndiise mune zvokudya awane
kudiwa nemi, akandimanik,,"

Mambo vanomuregedzera ganyamatope rembama


vachitaura mashoko aya
"" Nyarara mwana wembiti, iwe Revai mhanya unotora
Ruramai nevabereki vake vauye pano nokuchimbidza
kurumidza tione , Mutenda nemwana wake vazopinda
nemwenje mudziva manje "

Mumuzinda vamwe varanda vese vanobata musoro kutya


nechiitiko ichi, zvaisava nyore kuda kupfuhwira Mambo,
vamwe varanda vainge vakavenga Runyararo
ndovaisekera svoto havo, asiwo vamwe vainzwana naye
vaimunzwira tsitsi vachibvuma kuti pane amutuma
chete,nekuti makore ose aainge agara mumuzinda umu
aiva asina kumbobvira akaita zvakaipa, kana kutora
zvaasina kupihwa, asi vari saMambokadzi vaibva vaita
sokunge vaisamuziva, vaisatoda kana kutarisana naye
kumeso ,uyuwo Tasara ainge asina chaambotaura hake
dzamara mai vake vamuti musikana waurikuda kurora
muroyi chaiye,akabva atotsika madziro achiti Ruramai
akunyeperwa naManyara haabati mushonga, Tasara
namai vake vakatanga kukavadzana, dzamara Mambo
vatozopindira
"Nyararai imi vana vekamba musandiitira ruzha pano".
Vose vanobva vati mwiro nguva imwe chete vaiziva kuti
kana Chatikobo ataura haadi munhu anomira pamashoko
ake, aisanonoka kuregedzera tsvimbo kana ganyamatope
rembama padare pakanyararwa sepafiwa,vose vomirira
Mutenda nemhuri yake.

Ruramai nevabereki vake vaitozeya havo dzekwaMambo


vachitandara, nguva dzakasvika Revai ari mhepo chaiyo,
akango svikopinda muchivanze kuita seacharumwa
nembwa, baba vaRuramai vakatokurumidza kubuda
vodzinga imbwa pavakanzwa dzoda kuruma ,
vakakwazisana naRevai haana kuda kupedza nguva
akangosvitsa shoko rekuti varikudiwa kumuzinda mhuri
yese nekuchimbidza, Mutenda akada kumubvunza kuti
kwakanaka here, asi haana kuzopindura ainge ave
kutokanda tsoka kudzokera kumuzinda,akangosara
akashama Mutenda akamutarisa ndokudzoka mumba
wozivisa mudzimai wake nemwana kuti vaende
kumuzinda nekuchimbidza.
Ruramai paanonzwa aya mashoko ekuenda kumuzinda,
hana yake inorova zvakanyanyisa anonzwa mudumbu
kurira makumbo achibvunda anosara padiki kuzvirasira
mvura, ichokwadi kuvhunduka chati kwatara hunge une
katurikwa, uyu Ruramai aive wotofunga nezve mushonga
waainge apa Manyara uya pfungwa dzake aitoti Manyara
asvikozivisa Mambo naMambokadzi vacho, akaona pake
papera , amai vake vakabuda mumba vovhara sikiro ravo
kuti vapinde munzira asi iye akaramba akagara, dzamara
baba vake vatomuudza kepiri vavakutomuitira hasha kuti
asimuke vaende, akazongozvishingisa ndokubuda
votungamidzana kuenda kumuzinda, munzira mese aiva
asina nyaya hake, kumuzinda vakanosvika padare
pakazara mhuri yaMambo, baba vake sejinda guru
vakasvikonanga paiva naMambo vachida kutora chigaro
chavo, asi vakanongedzerwa netsvimbo naChatikobo
vachiteverwa nemashoko

"Mutenda iwe nedatya rako iri handidi kukuonai mudunhu


mangu, kuda kundidyisa miswe yemipurwa pano".

Mutenda anotadza kunzwisisa, anoombera woita


kupfugama achibvunzisisa anozotsanangurirwa
naMambokadzi avo vanoraira Manyara kuti atsanangure
kwaawana mushonga uyu uye zvaunoshanda, Manyara
anotaura zvese asina chaanovanza asi Ruramai
anorambisisa kuita kuchema chaiko, kuramba kwake
kunotsigirwa naTasara uyo anoti anovimba naye Ruramai
uye vanhu vakamuvenga. Vanhu vese vanonyarara
voitirwa ruzha naRuramai uyo anoita seari parufu
kuchema,akatozobatwa naTasara ndokusimudzwa
womubata ruoko voenda kugota kwake.

Vanhu vese vaiva padare vakafunga kuti Ruramai ari


kunyeperwa zvechokwadi izvo kwete, Mambo vakabva
vangotonga nedemo kuna Manyara vachiti adzingwe
mumuzinda iye zvino chaiye, asi akabva akumbira kutaura
mashoko kekupedzisira asati abuda, akapihwa mukana
wekutaura
" Pamusoroi Changamire, ndotenda nekundichengeta
mumuzinda wenyu zvakanaka uye maivimba neni chaizvo,
handikodzeri kuregererwa asi mushonga ndakapihwa
naRuramai ichokwadi chandiri kutaura ndodawo
kuzvichenesa ndokumbirawo mushedze Godobori aronde
munhu akandipa mushonga"

Mambo vakatarisana nemudzimai wavo ndokuzotarisana


naMutenda, vachibva vamboita nguva vakanyarara
ndokukosora zvishoma vachibva vapindura
"Usade kutambisa hakata dzaGodobori wangu, ndichaita
zvawakumbira asi akabata iwe ndopika nambuya vangu,
ndinokudzika pfumo,iwe Tizirai ridza hwamanda
yaGodobori".
Tizirai umwe wevanakomana vaMambo anoridza
hwamanda, yekushedza Godobori uyo aigarawo mujinga
mechikomo chaive pedyo nemumuzinda, zvaisamutorera
nguva refu kuti asvike.

Mupamombe Godobori waChatikobo, aiona zvisina


mukare akamboona, paakanzwa hwamanda yokushedzwa
kwake, akabva atosiya zvaaiita wotora nhava yake
ndokupinda munzira kuenda kumuzinda,aiziva kuti kana
aridzirwa hwamanda yake kunenge kune dare rinoda
kurondwa saka akatakura hakata dzake dzisingapotsi,
Mupamombe aisaita zvekutamba kana ave pabasa rake
kunyanya kana ari mumuzinda. Akafambisa chaizvo
ndokunosvika pasuwo remuzinda achibva angosiiwa kuti
apinde. Akanosvika padare achibva anoudzwa naMambo
wake nhau yaivapo, akawaridza dehwe rake ndokutora
ngundu yake, akabva akanda hakaya dzake, achironda
kwakabva mushonga uyu, chekutanga akaona Mbuya
Makovero ndokukandanzve hakata akaona Ruramai
achitambidzwa mushonga uyu achizotambidzawo
Manyara, akamboramba akanyarara ndokutarisa Mutenda
nemudzimai wake, achibva anyepera kudzungudza
musoro achipedzisa nekudzvova, akabva atya kutaura kuti
ndiRuramai aimuziva Mutenda yaisazopera
zvakanaka,akasarudza kunyepa hake kuitira hupenyu
hwake

"Chatikobo Mhukahuru, varanda vako vapindwa nemweya


wakaipa wochenjera ndaona umwe zvekare
achizokubatira mushonga sezvakaitwa naManyara, ndiye
hake akanoutsvaga, ave kuda kuipisa mazita evamwe, ari
kunyepera Ruramai".
Achinzwa kutaura kwaGodobori Manyara akada kupindura
akabva aigarwa tsvimbo naChatikobo achitunga ivhu
nemuromo,achibva ariregedzerwa pfumo ndiye pfaru-
pfaru achirasa mweya ndiye sarai, hapana akati bufu
pamuzinda, Godobori aive auraisa munhu ainge zvino
wongoti Mambo wangu hakusiriko kugadzirisa zvinhu
zvamaita hazvina kunaka asi Mambo
vakangomunongedzera netsvimbo achibva apeta muswe
hake Mupamombe.
Mutumbi waManyara wakatakurwa kubviswa padare
varanda vese vachibva vapihwa yambiro kuti
achangopinda nemushonga chete mumuzinda muno
achafa sehuku achichekwa musoro , vakabva vaparara
havo Mutenda nemhuri yake vooneka vonanga kumba,
Ruramai ainge azobuda mugota maTasara, akatorohwa
nehana achinzwa kuti Manyara auraiwa,asi hazvina
kumudya moyo sezvo iye aiva asina kudomwa asi haana
kuda kutarisana naGodobori kumeso.

Pakabva vanhu vese Mupamombe akambosara padare


akagara naMambo, vakayeva havo ropa raManyara
raivharwa nejecha nevaranda, iye pachake ainge atoona
kuti zvaaita kuuraisa munhu asina mhosva hazvina kunaka,
aida kuzonotaura nemhuri yaMutenda wovaudza chokwadi,
uye vatsiure mwana wavo, kusara kwaainge aita
naMambo aida kuvaudza nezvaRuramai asi aizotaura
pachikuru kuti Mambo vasava nechavanofungira,
akamirira varanda vese vabve padare ndokutanga kutaura

"Changamire pane runyerekupe rwandakanzwa kuti


Nevanji wedu Tasara arikuda kutora Ruramai uyu mwana
waMutenda, regai ndikupeiwo yambiro ndakamira
saMupamombe kwete Godobori,pari zvino handina
kusvikirwa, Tasara ngaasiye mwana waMutenda akarema
mwana uyu, muchaitirwa zvihombe naye uyu"

"Dai anga ariiye akapa Manyara mushonga ndawirana


newe asi zvabuda pachena kuti haasi saka hatione
chakaipa paari uye mwana wangu anomuda, chienda
kumba Godobori, zvandakushedzera waita".

Kusimuka kunoita Godobori achibuda mumuzinda Tasara


anoenda padare pana baba vake, anoratidza kuti ane
nyaya yaanoda kutaura nababa vake vanobva vamupa
mvumo yekutaura anovazivisa kuti afunga kunochinjana
nhumbi nemudiwa wake mangwana chaiye uyo mwaka
uno usati wapera arikuda kubva atora mudzimai wake,,
Mambo havana chavakapikisa vakabvumirana nazvo,
vakamupa vakamuti aizosarudza varanda
vanozomuperekedza mangwana acho, akabva atovaudza
nezva Tunga achiti haadi kumuona zvekare mumuzinda
nenyaya yake yekusvora Ruramai mudiwa wake, baba vake
vachinzwa izvi vakaitawo manyemwe ndokuti tava kuisa
mutemo anenge angoshoropodza mudiwa wako chete
itori mhosva izvi zvaizoziviswa mangwana mangwanani
padare raMambo.

Manheru aya Mambokadzi vaiva vakutofunga zvekutsvaga


umwe musikana mudunhu angaita mubatsiri wavo kutsiva
nzvimbo yaManyara, vakadana varanda vese
ndokuvataurira zvekutsvaga umwe musikana, saka vaida
kuti vambodoma vavanofunga kuti vanokodzera kuuya
mumuzinda, pamazita akadomwa apa Nyepudzai ainge
aripo zvekare uye ndiye ainge adomwa nevakawanda,
Mambokadzi vakabva vatoti vanotora iye Nyepudzai
semunhu aimbodiwa naTasara anoratidza kuti ane tsika
nyangwe hazvo vaisafarira mbuya vake, sezvo vaive
nembiri yekuroya yekungopomerwa hayo kana mushonga
wemanyoka chaiwo vaisauziva. Vakanozivisa murume
wavo zvavainge varonga kutora Nyepudzai auye atsive
nzvimbo yemushakabvu, Chatikobo haana chaakapokana
nacho akangoti itai zviri pamoyo penyu, vanhu vese
mumuzinda vakazorara vavakuziva kuti Nyepudzai ari
kuuya mangwana kusara kwaTasara chete ainge asina
kuudzwa, Mambokadzi vaiva vatoraira vakomana vaviri
kuti kuchiedza mangwana vonotora Nyepudzai vauye naye
mumuzinda.

Kupetwa kwechitsauko
https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na
Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185

*CHITSAUKO 07*
Kunze kwakafuma kwakachena chaizvo, kusiyana
namamwe mazuva kwaiva nemhute, Nyepudzai akamukira
rungwanani kunochera mvura yokunwa,ruvanze ainge
akarara akatsvaira hake, aida kuita basa rake rose
azokwanisa kunosangana naChamu sekuvimbisa
kwavainge vakaita. Akasvika kumvura ndokusangana
nemamwe madzimai aive auyawo kuzochera, akatanga
kunzwa nyaya yekufa kwaManyara, akarwadziwa aimuziva
Manyara ari munhu aisaita zvakadaro, semunhu aisada
zvemakuhwa akangochera mvura yake ndokupinda
munzira woenda kumba.
Ave kusvika pamba pavo, akaona vanhu vakamira
paruzhowa rwavo vachishedzera, aisanyatsoona imwe
pfungwa akatoti pamwe ndiChamu chete auya kumba
kwavo, asi paakazosvika pedyo akanyatsoona chisiri
chimiro chaChamu, vakomana vaya vakabva vacheuka
ndokutarisana navo akabva aziva umwe chete aishandira
kumuzinda, vakakwazisana iye ndokupinda wonoisa
chirongo chemvura mumba, ndokubuda wotaura nenhume
dzaMambokadzi,idzo dzakabva dzangonotaura kuti ari
kudiwa kumuzinda nokuchimbidza naMambo.

Hana yake yakarova zvakanyanyisa, aisada zvekuenda


kumuzinda asi hazvaiita zvekare kuti arambe, apinda
mumba ndokuzivisa mbuya vake avo vakaratidza
kusazvifarira vachiti " Baba vangu Humba iwe,
akufungireiko Chatikobo mwaka uno, enda unonzwa kuti
kunei, worangarira kuti handisati ndadya"

Anotaura nambuya vake ndokubuda wopfiga gonhi


vachibva vatungamidzana kuenda kumuzinda,vari munzira
anombozama kubvunzisisa chinangwa chaainge
ashedzerwa kumuzinda asi hapana akamuudza zvaaida
kuziva, dzamara vasvika mumuzinda vachingopinda chete
akabva atambirwa naRevai umwe wevabatsiri
vamambokadzi achimuti amutevere kuenda kwaiva
naMambokadzi, hana yake Nyepudzai yakatanga kurova
aive asati akamboshedzwa nemudzimai waMambo kugara
kwese kwaiva akaita mudunhu umu, akakwazisana navo
ndokugara pasi,Mambokadzi vakabva vatanga kutaura
nhau yavainge vamushedzera.
"Nyepudzai ndini ndakushedza kuno, kubva nhasi wave
mubatsiri wangu, ndasarudza iwewe kuti utsive nzvimbo
yaManyara, vasikana vachakuratidza zvekuita, mumo
handidi munhu anobata mushonga"
Nyepudzai akaita seari kurota pane zvaainzwa zvekugara
mumuzinda aisatozvida uye zvaisaita semunhu
aichengeta mbuya vake,haana kudyira huroyi mukunyara
akapindura asiri kutya hake
"Mambokadzi ndotenda nekundirangarira kwamaita, asi
handikwanise kugara pano ndini ndochengeta mbuya
vangu havana anovatarira".

"Ukaziva kuti uri mudunhu raani, ndofunga unobatsirika,


handisi kuda kunzwa nhoroondo, kubva ezvino wave
mubatsiro wangu, kurumidza kutevera Revai unoratidzwa
zvekuita"

Neshungu Nyepu anodonhedza misodzi asi zvekuita


painge pasina, anosimuka wotevera Revai, achibva angoita
mahwekwe naTasara achidawo kupinda
pamukova,anokurumidza kupukuta misodzi aisada
kuonekwa kuti ari kuchema asi Tasara ainge azviona kare
anobva amubvunza achiratidza kumunzwira tsitsi, asi
Nyepudzai anoramba achifamba kuenda kwaiva naRevai.
Anoswera arimo mumuzinda achiita basa nevamwe
vasikana, asi moyo nepfungwa aifunga mbuya vake vaive
vasina chavadya kubva kuseni, akazama kukumbira
mambokadzi kuti anopa mbuya vake zvokudya asi
akarambidzwa kubuda ruzhowa rwemuzinda aiva audzwa
kuti anokwanisa kuenda kunorara kumba achimukira
kumuzinda zuva rega rega.
Akazobuda mumuzinda zuva rave kutopinda munamai
varo, aive apihwa chimukuyu chenyama yemhuka, asi
ainge asina kutofara nazvo, Tasara naTizirai vachiona
Nyepu achibuda mumuzinda ega vakasarudza
kumuperekedza sezvo aizofamba kamufambo
kwaizosviba asati asvika kumba, vakafamba vose havo
vachizeya dzimwe nyaya, ndokuzosangana naTunga
achitoteverawo Nyepu,Tasara naTizirai hakuna
kwavakazosvika vakasiya vaviri voenderera mberi
nerwendo. Nyepudzai aive wozivisa umwe wake nezve
kushanda kumuzinda kwaiva amanikidzwa, Tunga
achinzwa kutaura kweumwe wake akabatikana chaizvo
akatanga kupopota achishoropodza Chatikobo nemhuri
yake, asi dzaingovawo shungu dzemhashu kudambura
makumbo, hapana zvaaikwanisa kuita, akanosiya
Nyepudzai pamba pavo wopfurira hake kwavo.

Ruramai aiva aswera asina kumbofamba zvake,


ndangariro dzekuuraisa Manyara dzaimubaya hake asi
haana waaikwanisa kutaurira kuti ndiye aive akamuuraisa
asiwo vamwe vaiti ndiye akakonzeresa.
Akazongoyerekana ava kutaura ega izvo zvakavhundutsa
mai vake avo vakamubvunza zvainetsa, akabva asimuka
anzwa imbwa kuhukura panze, akatarisa akaona ari
Mupamombe Godobori, hana yake yakarova
zvakanyanyisa, akakwazisana naye ndokuraira kuti apinde,
akanomutsa baba vake vaiva kusikiro ravo, vakauya
ndokugara pasi vachida kunzwa zvainge zvavinga
Mupamombe, asi Ruramai ainyumwa hake, aiva
wongowanza nyaya achidairira nedzisiri dzake kuti
Mupamombe asataure zvaafambira asi akazonwa
wotanga kutaura

"Mutenda ndakutsika nerima rino, ndati ndiuye neshoko


rangu mwedzi usati wagara sekutaura kwaita vari
kumhepo, unoziva here kuti wakatora ngozi kuiisa
mumusha, ndakarega zvangu kutaura chokwadi nekuti
ndaisada kuparadza hukama hwako naChatikobo asi
mwana wako ndiye akapihwa mushonga naMakovero uyo
waakapa Manya,, "

Ruramai achinzwa chokwadi chaitaurwa naMupamombe


akabva aita seasvikirwa wobata muchiuno akatanga
kuzviramba achipopota, zvekuti Mupamombe
zvakamukanga mate mukanwa, dzamara onyara
nemashoko akadzika aaitukwa nawo, akabva angosimuka
wosiya ati muchanditsvaga ndiye hutu kumba kwake.
Kubuda kwaakaita Mupamombe baba vaRuramai
vakambonyarara kwechinguva ndokuzobvunza mwana
wavo kana ainge akapihwa mushonga zvechokwadi asi
akarambisisa achiti Mupamombe akamuvenga,akabva
atoramwa nekubika kwacho ndokunozvivharira hake
munhanga, vabereki vake vakatoti ichokwadi mwana wavo
ari kuvengwa,Ruramai akatozoita kunyengetedzwa namai
vake kuti adye sadza ndokuzorara hake,husiku haana
kurara zvakanaka ave kuzeya ega mashoko aya aive
ataurwa naMupamombe kuti vachamutsvaga aiva otya
kumukirwa chipoko naManyara aingoita kunzwa nezve
chipoko aiva asati akambochiona, hope dzakazoita
kungomubawo ndokurara hake, kunze kuchiedza
akamutswa neshiri dziya dzamangwanani, ndokutanga
kuita basa rake nokuchimbidza aida kusvika kumuzinda
anoona mudiwa wake Tasara, vaida kuenda kwatete vake
kunopanana nhumbi. Apedza kuita basa rose kana kudya
haana aizodya hake kumuzinda, akapinda munzira kuenda
kwaChatikobo.

Akasvikopinda hake, wonanga kuimba yokubikira woda


kumutsa Mambokadzi asati aenda kugota raTasara, hana
yake yakarova achisangana naNyepu pamukova, akanzwa
dzungu ndiye zee puu kudonha, pfungwa dzake aive
afunga kuti Tasara akatotizisa Nyepudzai nezuro pavasina
kuonana , shanje dzaiva dzamubaya zvakaipisisa, vanhu
vakamhanya mhanya kumudira mvura aive afenda
akaendeswa padare pairova mhepo, baba vake vainge
vachangosvikawo padare vakabatikanawo vachiona
mhandara yavo yakati tasa, akambosiiwa kwechinguva,
Mambo vakaraira kuti Mupamombe anoshedzwa kuti
aone kana pasina nhumbu kana kuti pane ari kuda
kupfuudza Ruramai kuti asare adiwe iye naNevanji asi
Mupamombe paakanzwa nenhume iyi kuti ndiRuramai
aita dambudziko kumuzinda akabva akanyepera kurwara
hake nhume yaiva yatumwa ikadzokera neshoko rekuti
Godobori haasi kunzwa zvakanaka, Vabatsiri vese
vemuzinda vaiva vaungana, ari saTasara ainge aita
kupfugama padivi paRuramai, uyo akazoita kupepuka
mushure mechinguva, achitarisana naTasara, kune rimwe
divi akatarisana naNyepudzai uyo aive akapfugama pane
vamwe varanda ndipo paakatoona kuti aiva asiri mudzimai
waTasara nemashongero ainge akaita nenyadzi aida
kutsvaga chekupomera, sezvo Mambokadzi vaiva voti
inzara yamufendesa vamwe vainge voseka havo,
akanongedzara Nyepudzai zvekuti vanhu vese
vakamutarisa.
"Nyepudzai une mushonga wakashata iwe unoda
kundiuraira chiyi, wandinongedzera nechigumwe
ndikadonha, unorwara shanje neni sei iwe"

"Ruramai wakakwana here ndakunongedzera neyi ini


ndanga ndakabat,,,".

"Nyarara iwe uri kutaura nemuroora wangu, iwe


handikurambire nambuya vako vaye, mbiri yavo yehuroyi
takainzwa kare, zvichida munoroya mese, zvino muno
mumuzinda hamubatwe mushonga, waita rombo
rakanaka haana kukuvara muroora wangu"

VaHosi vaiva votaura mashoko ekurwadzisa Nyepu


vachiita wekutukirira, Mambo ndivo vakatozomununura
varaira kuti vanhu vabve padare, vaenderere mberi
nemabasa avo. Ruramai ainge wongotanda nyadzi
achingotaura kuipa kwaNyepudzai, uko kwakaramba
kwotsigirwa namambokadzi, vaviri vakabva vawirana kuti
Nyepu azopihwa murango nezva ainge aiita.
Tasara aive asara agere nebaba vake pamwe naMutenda
wooneka baba vake kuti vave kumboenda kunopanana
nhumbi sezvo aive akambovaudza hake vaizviziva,
akarairwa kuti atakure dengu rezviyo pamwe nenhava
yechimukuyu chekunopa tete vaRuramai avo vaigara kune
rimwe dunhu raiva chinhambwe vaizonosvika manheru
vorara ikoko vaizodzoka mangwana, vaisaenda vega
vaiperekedzwa nevaranda. Vachipedza kudya
kwamangwanani mumuzinda, vakabva vapinda munzira
kuenda Ruramai aive anzi aperekedzwe na Nyepu
achimubereka munzira semurango wezvaainge aiita uye
aisabvumirwa kuramba, vakapinda munzira havo ndiye
tande.

Chamu, haana kuwana mufaro zvachose kubva zvaainge


akuziva kuti Nyepudzai avemubatsiri waMambokadzi,
aiziva hutsinye hwavo semunhu aimbotamba naTasara,
aiona zvizhinji chaizvo mazuva aaitambira kumuzinda uye
chimwe chaaitya kuzotorerwa musikana naTasara
nyangwe hazvo aiziva kuti akasarudza Ruramai asi
aisavimba nemhuri yeumambo aiziva hudyire hwavo.
Akapedzisa kurodza mbezo yake ave kufunga pfungwa
yekuda kutizisa mudiwa wake asi semunhu aiva asina
musha kwekuenda naye ndokwakamunetsa pamba
paaigara aiita kuchengetwa achiifudza mombe,
akazongoyerekana adzungudza musoro ega,
ndokuzovhundutswa naSekuru Mupesa avo vaaishandira,
vakamubvunza zvaimunetsa akabva angovataurira
dambudziko rake, vakamuvimbisa kumubatsira nemombe
yekuroora uye kumuvakira musha semutemo unoitwa
kana munhu akushandira makore akawanda achiita
mabasa epamba, paakanzwa izvi akabva atoti nhasi
chaiye manheru ari kutizisa Nyepudzai.

Kupetwa kwechitsauko
https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na
Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185

*CHITSAUKO 08*

" Ndaneta ini Ruramai, handichakwanisa kukubereka,


tarira makumbo angu ari kuzvimba".
Akataura achimira pasi pemuti kuti ambozorora
Nyepudzai aive afamba chinhambwe akabereka Ruramai
iro zuva richirova nhongonya haro, asi Ruramai akatanga
kupopota achitsigirwa naTasara pamwe nemamwe
machinda,musi uyu Nyepu akademba baba namai vakafa
asi aive asina zvekuita akamanikidzwa kufamba aive
woitwa sembongoro chaiyo. mishonga yaiva yakapihwa
Tasara naRuramai yaiva yemhando yepamusoro
aisamboona runako rwaNyepudzai zvachose,chose
chaitaurwa naRuramai aitotsigira nyangwe chisina kunaka,
vose vakazorora pedyo nerwizi, hope ndokubata vese
zvavo nemachinda acho, pavakarara Nyepudzai ndiye
akakurumidza kupepuka wanike vamwe vose vakarara,
akasimuka zvinyoro nyoro aida kuvatiza, asi akabva
aonekwa nerimwe jinda, ndokunyepa hake kuti arikuda
kunozvibatsira,akatsauka asi aive aita kurindwa, akabva
adzokera paiva nevamwe, ndokutanga kufamba.

Vakayambuka rwizi vobira mhiri kune rimwe


dunhu,Ruramai akabva ati makumbo ava kumurwadza,
ndokuberekwa zvekare vachingofamba zvishoma vakaona
imbwa yavasina kuziva, iyo yakabva yateverwa nevarume
vatatu vairatidza kuti vavhimi, vaiva hwendefa dzevarume,
iwo maoko achinge mapango, izvo zviso zvainge
zvakashata, ungati i horomba yegudo.
"Mabva kupi imi, uye munoendepi?"

"Ndiri Nevanji waMambo Chatikobo, tiri kupfuura kuenda


kwaMambo Matara".
Anopindura nokuchimbidza uye asiri kutya asi machinda
aya anoramba akatarisa Ruramai uyo anodzikiswa
naNyepu, umwe wavo anobvunza
"Heya uri nevanji, ko uyu anofamba akaberekwa murwere
wemaperembudzi here?"

Panoshaya anopindura, Tasara anozodaira achiti muranda


wavo, uye basa rake kubereka musikana wake, umwe
wemachinda aya anogegedza kuseka hake woti
" Inga pasi pano pachine vanhu vanotora huMambo
nenzira isiriyo, kuita umwe munhu nyurusi chairo, zvino
izvozvo moitira kudunhu kwenyu, kwete muno hapana
anoberekwa muno mudunhu, iyo tsvarakadenga yakadai
yoberekeswa chivhundutsa pwere chakadai, zvino muno
mudunhu mamapinda tinoenzanisa, iwe wabva
wakaberekwa kudunhu kwenyu ndiwe wave kubereka
musikana uyu, izvezvi kana muchipokana nazvo
modzokera kwamabva."

Tasara nevamwe vake vakatarisana ndokumbonyarara, ari


saNyepudzai aitoti mudzimu wabva nepi wamununura
kudai anotarisana naRuramai uyo anotsikitsira pasi
nenyadzi,Nguva iyoyo Ruramai anobereka Nyepudzai
votanga kufamba, ichokwadi mwana washe muranda
kumwe, Tasara aive ambozama kuda kutaura asi
akanyarararidzwa iye pamwe nemachinda ake.

Mumuzinda maChatikobo, baba vaTasara vaive vagere


zvavo vakazendama padare pavo, pakabva pasvika
Gundani umwe wemachinda avo, vakatanga kukurukura
havo, dzamara Gundani atanga kutaura guhwa raainge
anzwa achiudza Chatikobo kuti Chamu ari kufambidzana
naNyepudzai, Mambo havana kuita hanya nazvo asi
pavakanzwa Gundani woyemura runako rwaNyepudzai
havana kuda kumuratidza kuti vari kubvumirana
nepfungwa yake, vakachinja nyaya votaura havo
dzemudunhu, dzamara Gundani azoenda hake.
Mambo vakamboyeva Jinda ravo richienda,
ndokumbonyarara havo vakazotanga kusekerera vega
pakauya chiso chaNyepudzai mupfungwa dzavo, zvekuti
rute rwakadonha ndokutozovhundutswa nekahanda kavo
kakasvikorara mumakumbo, akabva ashedzera Nyepudzai
kuti auye nemukombe wemvura, kwaiva kusada mvura asi
aida kumuonera pedyo zvekare, Chatikobo aiva wodemba
kuva jaya runako rwaNyepu rwaiva rwaiyevedza chokwadi
asi aisada kuti vanhu vazive kuti anomuyemura chaizvo ,
asi nezera rake zvaisaita kuti achimuita mukadzi sezvo iye
pachake aisava Mambo anombunyikidza vanasikana
aisatoda kuzvinzwa asi pana Nyepudzai apa aive woita
pfungwa mbiri. Chimwe chaiva chisiri kumufadza kunzwa
kuti Chamu fudza mombe zvaro ndiye ari kufambidzana
naye.
Revai ndiye akauya nemvura padare , izvi hazvina
kumufadza, akabvunza kana Nyepudzai aivapo asi
akaudzwa kuti aperekedza Ruramai naTasara, izvi
zvakatomunetsa kuti Iye Ruramai anofamba sei
naNyepudzai mangwanani ano ambomuti muroyi.
Chatikobo akatanga kuona kuti Ruramai aive azere
nemanyepo chaiwo nguva iyoyo akashedza mudzimai
wake uyo akauya achikanyaira hake ndokuzvikoti pweshe
muvhu nezimiri rake paiita sokunge pagara nzou,
Chatikobo akabvunza zvaaida kuziva akaudzwa
zvemurango wekubereka Ruramai munzira, izvi
zvakamushatirisa chaizvo ,akabva atoraira kuti tumai
nhume dzitevere, hakuna munhu anoberekwa muno
mumuzinda, kana iye Mambo chaiye ainge asati
akamboberekwa hupenyu hwese , Mambo vakaraira kuti
ranhasi rinofanira kudoka Nyepudzai ava muno
mumuzinda.mambokadzi vakamboda kutsanangura asi
vakatambidzwa mashoko maviri ndokunyarara vaiva
vongotsikitsira musoro pasi voshaya chekutaura zvino asi
mumoyo mavo vainge vatowedzera kuvenga
Nyepu,Chatikobo aitoda kutumira vanhu vanomutora
adzoke mumuzinda asi pamachinda ese hapana aiziva
kwatete vacho kwavainge vaenda, akazongoti vachirega
kutevera asi kudzoka kwavachaita Ruramai acharangwa
naMambo pachake. Mambokadzi vakasimuka voenda
kuimba yavo yokubikira vachingotaura vega, vaiva
vakutofunga kudzinga Nyepu zvekare mumuzinda vachiti
ave kukonzeresa, izvi zvakatsigirwawo naRevai uyo airwira
kuva wepedyo naMambokadzi,

Ukuwo ana Tasara vaiva vazodokerwa vapinda mudunhu


raMambo Mutara iro raigara tete vaRuramai, vakazosvika
havo vanhu vasati varara,ndokutambirwa nemufaro, sezvo
kwainge kwasviba vakapihwa kudya kwemanheru,
ndokurara, vaizopanana nhumbi kwachena, Ruramai
naNyepu vakanorara munhanga yairara vasikana
vepamusha apa asi ,Nyepudzai hope hadzina kubata
zvachose, pfungwa dzaiva kumba mbuya vake vaiva
vakasaravega vasina anobikira, ainzwa misodzi ichida
kuuya akazvishingisa hake ndokuzongobiwa nadzo kunze
kwava kuchema ndokurara.
Zuva rakatevera racho.Vanhu kunze kuchiedza, vaRukawo
tete vaRuramai vakamuka runyanhiriri vobata Jongwe
vachiitira vaeni vavo uye vaiva vakaudzwa kuti Tasara
ndiNevanji saka vaida kumubata zvemhando yepamusoro
kuti kana iye azofamba achivarumbidzawo, vaRukawo
vakazogara pasi achikurukura naRuramai uyo akabva
azivisawo Tarasa,vaviri vakabvumirana pazvitsidzo zvavo
ndokupanana nhumbi, dzikapihwa vaRukawo.

Vana Ruramai vakazooneka vapedza kudya kwamasikati


ndokupinda munzira voenda kumba, vaiva varongedzerwa
mbuva yakawanda iyo yavaizofamba vachidya, sevanhu
vaive varairwa nzira yekudimbudzira, zuva rakazonyura
vatogura matunhu vava kuyambuka rwizi rwaiganhura
Chatikobo nemamwe madzishe, kunyura kwakazoita zuva
vaiva vapinda muchuru ndokuzorora vaida kuzotanga
kufamba panobuda mwedzi uyo wakazoti nonokei kubuda
ndokubatwa nehope vese vakatozomutswa neruzha
rwemapere aichema pedyo nechuru chavaiva, vachimuka
vakatanga kufamba kunze kwakazotanga kuchena vatova
mudunhu maChatikobo, Nyepudzai akaramba kunanga
kumuzinda achiti aizotevera aida kunoona mbuya vake, asi
Ruramai akaramba kutakura nhava yaiva naNyepu achiti
ibasa rake uye haafanire kuita zvaanoda, Nyepu akazama
kupfugama panaTasara achikumbira kuti apfure nekumba
asi Tasara aingopa zvese kuna Ruramai, Nyepudzai haana
kuda kuzoita nharo hake akatenderana hake nazvo
kutanga aenda kumuzinda.

Zuva richinotanga kugara makomo nemiti, vainge vave


pasuwo remuzinda, varindi vachivaona, vakamhanyira
mukati kunozivisa Mambokadzi avo vakauya vachirova
mhururu, asi pavakatarisana naNyepudzai vakabva
vachinja chiso, vaida kutomuudza kuti asapinda
mumuzinda asi rimwe jinda rakasvika richiti Mambo
varaira kuti vose zvavo vauye padare, Tasara aiva pamberi
vakapinda vonanga padare pfungwa dzake aifunga kuti
zvimwe pane mubairo kana mashoko anofadza ava
shedzerwa,vakakwazisana nemamwe machinda aiva
atova padare, Mambo vainge vachangosvikawo,
vakamboramba vakayeva Nyepudzai ndokuzotarisa
Ruramai vachibva vatanga kutaura

" Tinovimba makafamba zvakanaka,iwe Tasara ndoda


kuziva kuti kana uri nevanji wangu kana kuti kwete,
wakauwanepi moyo mukukutu kudaro,rino dunhu ndaona
wadyara ruvengo mangwana iwe,Ruramai anofamba
akaberekwa kuti ndiani muno mumuzinda, Tateguru
wangu chaiye haana kumbobvira akaberekwa, ndiwe wave
kuda kundiipisa mudunhu, iye mwana waMutenda uyu kaa
achakupinza mumatambudziko, zuro uno akanzi ndiye
akapa Manyara mushonga tikati zvimwe anyeperwa asi
ndazobvuma ane moyo mukukutu uyu, ndiri kuraira
Mutenda baba vako iwe Ruramai vabvisewo mbudzi mbiri
kuripa Nyepudzai, haisi mbongoro iyi, imi VaHosi vangu
mobata imwe chete mudanga renyu, moripa zvekare ndimi
nyasire imi, semunhu mukuru hamaifanira kurega Ruramai
naTasara vachiita zvavanoda kudai, ngakave kekutanga
nekupedzisira, mukaita zvekutamba neni wanano iyoyo
moitira kwaTete vake kwete muno mumuzinda iwe Tasara
ndinopa Tizirai hunevanji ukaita sewakabikirwa shashiko
yaRuramai".

Chatikobo aiva avhura ziso achitaura asiri kubwaira


zvachose, Mambokadzi vaiva vatsikitsira musoro pasi
zvino nenyadzi, uyuwo Ruramai aive ongobwaira tuziso
kuchenjeresa kuye kwese kwainge kwapedzwa
naChatikobo.

Nyepudzai akamboramba anyerere ndokuzoombera


achipfugama ndokuti"pamusoroi Changamire ndinotenda
nemoyo wenyu wakanaka asi handidi kuripwa nani zvake
vakuru vakati simba mukaka, ndokumbirawo ndiende
kumba ndimbonoona Ambuya vangu, ndakavasiya vari
vega handizive kana nzara yakavaponesa".

Mambo vakabvumira Nyepudzai kuti aende anoona mbuya


vake asi vakaramba kuti asatambira mbudzi vakati
anofanira kuripwa asingade achida , mbudzi dzaizoenda
nemachinda avo zuva rovira, Baba vaRuramai vakasvikawo
padare ndokuudzwa nyaya yekuripa, havana chavakatura,
sezvo Changamire vainge vatonga kare asi vakangopa
ziso kuna Nyepudzai uyo akaombera achisimuka wonanga
kumba kwavo achisvika kumba hana yake yakarova
achiona dzimba dzese dzakapfigwa pasina munhu aivapo
akamhanya pamuvakidzani wavo achinotarisa kana
mbuya vake vaive variko asi vainge vasiko. Akapererwa
ndokugara pasi akademba chaainge akaendera
kwaMutara,akatanga kuchema.
Kupetwa kwechitsauko

https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)


+263777400185

*CHITSAUKO 09*

Chamunorwa aive amukira muchikomo chaive pedyo


nedunhu, kunotarisa marihwa pamwe nemisungo yake,
kana achinge akuzodzoka aida kuzopfuura nepamba pana
Nyepudzai aida kutora nhekwe yambuya vake iyo
yavainge vamuraira, sezvo airara navo mugota make aiva
akanzwa tsitsi kuvaona vagere vega murima
ndokukumbira sekuru Mupesa vaaishandira kuti atore
mbuya vemusikana vake avo vakabvuma asi vainge vasina
dzimba dzinokwana, Chamu akazvipira kurara navo
mugota make dzamara Nyepudzai adzoka, aiva awaridzira
rimwe divi iyewo kune rimwe divi.

Achibva kunotarisa misungo yake ainge akatakura tsuro


nhatu pamwe nembeva, ave kunosvika paruzhowa
rechivanze rwambuya Nyepu akaona suwo rakasazurarwa
hana yake yakarova zvishoma pfungwa dzake akatoti
zvimwe pane mbavha dzapoya kupinda pamusha apa
pasina vanhu, akafambisa ndokukanda tsuro pasi
womhanyira kunotarisa mumba umu, achinosvika
pamusuwo akabva angodhumanisa maziso naNyepudzai
uyo aiva agere semuranda achichema.

"Mbuya vangu Chamu"


Akaikwetsura mhere seafirwa Nyepudzai achimumbundira
asi Chamu haana chaakakwanisa kutaura kunze
kwekumumbundirawo wotanga kumunyaradza.
"Chirega kuchema, Nyepu ndafara chaizvo wadzoka uri
mupenyu, ndakangonzwa neshoko kuti waiva waenda
kwaMatara,ndakauya pano ndikawana mbuya vako
vagere vega murima uye vainge vaziya nenzara,
ndakavatora ndikaenda navo kumba kwedu, usazvidya
moyo vatano chaizvo, handei unovaona".
Akabata umwe wake rwoko vobuda, chiso nemoyo
waNyepudzai wairatidza kunyevenukawo nekunzwa kuti
mbuya vake vari kwanaChamu asi aida kuzvionera
ega,Chamu akasiya tsuro mbiri pana Nyepu ndokutakura
imwe chete vachibva vaenda kumba, vari munzira
aitsanangurirwa mafambiro avakaita kwaMatara
achibereka Ruramai nezvese zvainge zvataurwa naMambo
Chatikobo kuti anofanira kuripwa, asi Chamu haana
kufarira pfungwa yaChatikobo yekuti Nyepudzai aripwe
akambonyarara zvishoma ndokuti,

"Chatikobo chaiye anoti iwe uripwe, ukati haana chaari


kuteya pauri here , vangani vakatadzirwa mumuzinda
make asi hapana akamboripwa zvake, jinda rake chairo
Mutete, akauraiwa nembwa yake asi mhuri yake haina
kupihwa kana tsuro zvayo, handimuchenesi Chatikobo "
Vakazonyarara vave kusvika pamusha pavo, vakanopinda
mugota make umo maiva nambuya vaNyepu , mbuya
nemuzukuru wavo vakambundirana nemufaro, ndokugara
pasi vokurukura havo, mbuya vake vainge vomuudza moyo
chena waChamu vachiti asazombofa akamusiya ane rudo.
Nyepu akazotendawo sekuru Mupesa nekubvumira
Chamu kuti apinde nambuya mumusha mavo asi Sekuru
Mupesa vakaramba kutendwa vachiti Chamu ndiye
aikodzera kutendwa uye vakabva vataurirawo Nyepudzai
nyaya yakataurwa nemukomana wake yekuda kumuroora,
izvi zvakashamisa Nyepu sezvo ainge asina kutaura
nezvazvo, asi aidawo hake kuroorwa naye sezvo ariiye
waainge akasarudza, akabvuma. Sekuru Mupesa vakava
vimbisa kuzova batsira pane zvese zvavaizoda sezvo
Chamu ainge asina vabereki.

Ukuwo kumuzinda Ruramai ahana kuzogarisa aive


wotosvorana naMambokadzi avo vaiti ndiye avatukisa
naMambo iyewo achiti ndivo vakati aberekwe
naNyepudzai, akatobva mumuzinda vakandana makobvu
namatete, Tasara ndiye akatozopedza nyaya yacho,
wotora Ruramai ndokubuda mumuzinda ave
kumuperekedza kumba kwavo, akazomusiya vava pedyo
neminda yavo, Ruramai akasvika kumba kunamai vake
akavataurira mafambiro avakaita nemukomana wake
kwatete vake, asi haana kutaura hake nezve dare ravainge
vagadzwa naMambo pamusoro paNyepudzai. Baba vake
ndivo vakatouya vozivisa mai vake kuti vaifanira kubata
mbudzi mbiri kunoripa Nyepudzai mhosva yainge yarehwa
naChangamire, izvi zvakarwadza mai vaRuramai
vakatanga kupopota vachiti Nyepudzai ane daka nemwana
wavo chete , uye vakabva vamupikira kuti achafa
achitambura, idzi dzaingovawo shungu, asi mbudzi
dzaitodiwa.
Ruramai semunhu aiva apanana nhumbi naTasara akabva
atonzi namai vake asaita zvekurara nezamhu mukanwa
anofanira kubva atoroorwa nekuchimbidza Mambo vasati
vafunga kudzivisa wanano yavo. Ruramai aive akaneta
nekufamba saka akamborara hake asi mai vake havana
kuzoda kugarira maoko, vakapinda mudura mavo
ndokutora tswanda yezviyo vachibva vabuda vonanga
kwambuya Makovero, vaida kunobvunzira kana wanano
yemwana wavo iri kubudirira,vakaita rombo rakanaka
kusvika mukweguru aripo hake, vakatambirwa nomufaro
ndokubva vapinda maiitwa matare vasati vabvunza
zvavainge vafambira vakaudzwa kuti wanano iripo asi
inofanirwa kuitwa mwedzi wambudzi usati wasvika,
vakapihwa umwe mudzi uyu Ruramai aifanira kuzokanda
mugota maTasara,vakafara chaizvo nekunzwa kuti
wanano haina chaizoidzivisa, vakabvunza nezvaNyepudzai
kana aiva nechekuita here asi vakataurirwa kuti atori
neyake wanano isiri yeimba youmambo,vakazobva
pambuya Makovero zuva rorereka haro vainge
vatozoswera vachitandara kuri kuda kuvafadza,
vachinosvika kumba vakawana Ruramai achitogadza usavi
pamoto, baba vake vaiva vaendesa mbudzi kumuzinda.

Tasara aiva arara zvekufa chaizvo nerwendo rwaaiva


akafamba, akatozoita kumutswa naTizirai achinzi
kwaedza arikudiwa kudare uko kwainge kune makurukota
ababa vake, akaenda padare, baba vake vainge vasipo
havo, mukuru wemakurukota aya imwe Harahwa yaiva
sahwira waChatikobo yakatanga kutaura naye
ichimuzivisa zvavainge vamushedzera.
"Nevanji wangu, mhukahuru mavakunetswa makazorora
henyu, maona taungana kudai, tine hari yemashoko
yatinoda kukurukura nemi, mwaka uri kutiza zvisina
mukare akamboona, shoko rekuti makasvitsa nhumbi
kumusikana wamuri kuda kuwana rasvika kwatiri zvino
Changamire vati, yava nguva yegadziriro dzewanano tisati
tapinda mumwedzi wambudzi, hurongwa hwese
huchaitwa nesu tichatumira dzimwe nhume
kunokokorodza mamwe Madzimambo pamutambo uyu,
mayaruka mhukahuru, kana muchinge mabuda mugota
mavakuzogadzwa uMambo baba venyu varikuda
kumbozendama havo, ndiwo bedzi mashoko atinawo, gara
zviya mwana waMutenda ndiye wamaona akakodzera
kuzova svovi yenyu youpenyu hwese? ".

" Ndotenda nekuva pano kwenyu, iyi ndiyo nguva yandaiva


ndakamirira chaiyo, Ruramai ndiye mudzimai wangu,
handidi kunzwa munhu anonditaurira zveumwe musikana".

Makurukota akambotarisana hawo, ndokubvumirana


nekutaura kwake asi havana kuda kumuudza chokwadi
kuti Mambo havasi kunyatsofara naRuramai,vakatanga
kutoronga nyaya yewanano iyi kuti yaizofambiswa sei,
zvinhu zvese zvainge zvaiswa mumaoko emakurukota
sezvo Chatikobo ainge asina hama zvayo mudunhu rake,
hama dzaiva dzakaparadzwa kare nehondo yaMucheza
anova mukoma wake airwira huMambo.
Shoko rakafambiswa mudunhu rekuroorana kwaRuramai
naTasara, vanhu vose vainge vogadzirira kuuya kumabiko
aya aive anzi mazuva matatu anotevera anofanira kunge
aitwa sezvo mwedzi wambudzi wainge watoswedera.

Mujenya ndiye akasarudzwa naMambo kuita munyai


waTasara, akatumwa kumba kwaMutenda kunozivisa
shoko rekutora mudzimai wavo, Mutenda ndiyo nyaya
yaainge akamirirawo akafara chaizvo ari saRuramai
aishaya zvekuita, kana kufamba kwake mudunhu aive
woita searikutsika mumhepo, vamwe vasikana vezera rake
aiita seachavakwazisa nezvimiti chaizvo, ainge wotsenga
ichibuda masvisvinwa.
Chakava chipata pata, mudunhu nemumuzinda
kugadzirira wanano yaTasara naRuramai, vamwe vanhu
vemudunhu vaishora chaizvo sarudzo yaTasara vachiti
Ruramai nemoyo wakasundimara, asi vaitya kutaura
pamberi paMambo vaingohumana vari muzvimbo
dzakavanzika.
Zuva racho remu mutambo rakasvika hapana chainge
chisipo vaya vaive neshavi remupeta apa raipera,
kuchitiwo vaye vedomba kunge bere, uyu musi nyama
yaiva yakawandisa, kwakauya makurukota emanwe
madzishe pamwe nanaGodobori vaviri vakabvawo kune
manwe matunhu avo vaida kuzoronda wanano yevaviri
ava.Pakatanga kuitwa mitambo yakasiyana yechinyakare
vanhu vachifara. Ruramai akazouya pamutambo uyu
akashonga saMambokadzi aive ane varandasikana
vashanu pamwe natete vake vekwaMatara, achisvika
vanhu vese vakasimuka vopururudza, anogariswa
pachigaro chaiva naTasara uyo aiva achangobva
kusvikawo aiva auyawo akashonga saChangamire chaiko,
vaviri vagara zvino, vakati yasvika nguva yekuti
vabatanidzwe, pakatanga pasimuka mutauriri waMambo
Chatikobo, anova Mujenya ainge akasarudzwa kuva
sadombo, akataura mashoko okutenda vose vaiva vatsika
ivhu remuzinda wavo, ndokuzopedzisa wosimudza
Mambo avo vasina kutaura mazhinji asi vakatendawo
vanhu pamwe nekupa Tasara chipo chemombe dzedanga.
Baba vaRuramai ndivo vakazopedzisa kutaura
vachiratidza kufara chaizvo nekuroorwa kwemhandara
yavo.

Vanhu vose vehukama vapedza zvino kutaura, yakati


yasvika nguva yekuti vaviri vachibatanidzwa vopfekedzwa
zvuma, pakasimuka Mupamombe nevamwe ana Godobori
vaiva vabvawo kumatunhu akapoteredza avo ndivo
vaizoshopera pawanano iyi, Mupamombe semunhu aigara
mudunhu nevaviri ava, haana kuda kupedza nguva yake
akangosiira zvimwe kuna Chigwaze uyo akadzvova
sehandira yemombe ndokudzungudza musoro akatarisa
Tasara ndokutarisazve Chatikobo achibva atanga kutaura,
"Handina mashoko mazhinji, vari kumhepo vatambira
chose wanano iyi, vana ava varikuzochembedzana uye
kugara zvakanaka, zuva ranhasi tinovabatanidza vave
nyama imwe, uye vachatungamirira vanhu vaChatikobo
nerudo, handina kuona chakaipa pavaviri ava"
Akambomira kutaura zvishoma vanhu vouchira maoko,
Ruramai aive woita kumwe chuka muromo kunge
uchasvika kugotsi, achinzwa kurumbidzwa kwavaiitwa
naChigwaze, asi chokwadi chaivapo Chigwaze ainge aona
kuoma moyo kwaRuramai pamwe nekudyiswa kwakaita
Tasara, asi haana kuda kuzvitaura pachita chevanhu aida
kuzogara pasi nevashoma vehukama voronga kuti Tasara
arutsiswe. Chigwaze naMupamombe vakapfekedza
Tasara naRuramai zvuma zvewanano, mhururu ikatsinhira,
mheterwa pamwe nengoma.

Yakati zvino yavanguva yevaviri ava kuchisiyawo mashoko


avo kumhomho yakaungana, Tasara akasimuka
akataurawo achitenda baba vake nevanhu vemudunhu
pamwe nevainge vauyawo kubva kune mamwe matunhu,
akazopedza nekupa kutenda kuna Mutenda uyo
akamuberekera mudzimai, akabva agara hake pasi,
Ruramai ndokusimuka akakwazisa vanhu vose, ave kuda
kutaura mashoko ake, akangoona Manyara mushakabvu
uya akamutarisa, akatanga kungonongedzera zvekuti
vanhu vese vakashaya kuti chava chiyi, akamboda
kuzvishingisa asi akamuona ave kuswedera pedyo naye
akatanga kudududzawo zvishoma, akaona Manyara
wosimudza ruoko ndokumwaiwa zvinhu zvaiita sedota
kumeso, nguva iyoyo akaona rima ndiye ze-e puu.
Kupetwa kwechitsauko

https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964
Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185

*CHITSAUKO 10*

Tasara ndiye akakwanisa kugamha mudiwa wake asati


arovera pasi nemusoro, vanhu vose vakanyarara kuti
mwiro vaiva voshaya kuti chiyi chaizvo chaitika, vazhinji
vaifunga kuti zvimwe akatsika mwedzi vamwe ndovaitoti
atoroiwa nevanhu vemudunhu vane shanje, Mambo
vakaraira kuti atakurwe aendeswe kune imwe imba
vanoshopera vaizoita basa ravo,asi Mupamombe akabva
atoziva hake kuti chipoko chaManyara chomuka ndiye aive
akatogadzira kuti Ruramai amukirwe sezvo
akambomuudza akaitwa serema kumba kwavo.
Kubviswa kwaiva kwaiita Ruramai pamutambo, vanhu
vakasara vopihwa kudya kuti vaende havo kudzimba, asi
umwe neumwe nyaya yaingova yekudonha kwaRuramai.
Nyepudzai ainge aripowo pakati pevanhu aive asina
kumukira kumuzinda mushure meshoko raiva rauya
rungwanani richibva kuna Mambokadzi avo vakati asauya
kumuzinda sezvo ainge akavaripisa, iyewo akatofara
nazvo hake ainge atowana nguva yekuchengeta mbuya
vake uyezve mukana wake naChamu ainge atogonerwa.
Kumuzinda uku ainge atozouya hake achiperekedza
mbuya vake avo vaida kuona mutambo waiitwa, asi
mapfekero ainge akaita aiva wotoshamisa vanhu aiva
akapfekawo zvakatsiga kuita semunhu aiva akatowanikwa,
vainge vawirirana kutanga kugara vese mumazuva
mashoma arikutevera naChamu.

Ruramai aiva asisaone ainge atoiitiswa bofu naManyara,


vanoshopera vakanoungana mumba maaiva, ndokuraira
kuti vanhu vese vabude paze kusara kwaMutenda chete
anova baba vake, Mupamombe haana kuda kuirova
akaviga mupinyi akataura

"Mutenda hapana hakata dzinoda kukandwa apa, kana


kupedza simba resvikiro tichironda zvinhu zviri pachena,
unoziva iwe chikonzero chaita kuti mwana wako aite bofu
uye atadze kutaura pamberi pevanhu"
Mutenda aiva atokanganwa mashoko akambouya kumba
kwake achiti vanoripa kwana Manyara sezvo Ruramai
ariiye auraisa, asi semunhu airemekedza vana Godobori
akatanga kuombera ndokupindura Mupamombe
"Asekuru, ndaraswa zvishoma nekutaura kwenyu
kwakavanzika, ndokumbira kujekeserwa handina
chandinoziva".

Chigwaze akahetsura achibva anongedzera Mutenda


netsvimbo ndokuti. "Iwe wakatakura ngozi huru mumusha
mako, svikiro rakambouya neshoko mukaramba kuritenda
zvino hondo yacho yauya aya mavambo dzamara mabuda
pachena monoripa ini chaiye ndazviona kare pamutambo
apo asi ndati handingakunyadzise pamberi pevanhu, uyu
mwana wako anobata mushonga usina zera naye, kutaura
kuno akadyisa Nevanji wemuno kuti awanike , ndizvo
zvakazosakisa kuti azouraisa ropa risina mhaka, Manyara
uyo aiva muranda waMambokadzi akafa sembudzi
achiuraiswa nemwana wako, zvino kuti nhau yenyu ichene
iye mwana wako atange kuona, kutotsvaga hama
dzemushakabvu motaura zvamakaita moripa, ndozvega
zvinopedza dambudziko iri, hapana gwenzi ringa rapanura
hutenda uhwu, wandinzwa here Mutenda ".

" Shoko ndarinzwa, kusaziva kufa chokwadi,Hongu sekuru


Mupamombe vakarisvitsa kumba asi Ruramai
akazviramba iniwo ndakazvitora sedambe, ndinonoripa
zvangu mwana wangu aiite zvakanaka asi ndokumbirawo
kuvanzwa kuti veumambo vasaziva, mwana wangu
anogona kurambwa asati agara saMambokadzi,
mukandivanzirawo nhau iyi ndinokuripai nemombe gumi
muri vaviri naSekuru Mupamombe ".

Akapedzisira nekuombera, achibva anyarara hake, wosiira


Mugwaze kuti amupe mhinduro uyo asina kupindura asi
akatarisa Mupamombe uyo akabva atanga kutaura
" Mutenda shoko rako tarinzwa ini hangu saMupamombe
hapana chandaida kwauri ndiri kuda kuti iwe nemwana
wako muve nechidzidzo muhupenyu musashoropodza
svirikiro asi sevanhu vandinogara navo uye varikudawo
kupinda muimba youmambo, ndinobvuma hangu
kukuvanzai panyaya iyi".

Anofara chaizvo Mutenda achinzwa mashoko


aya,anotovimbisa kuti nhasi chaiye mombe dzinorara
dzava pamisha yavo, Mugwaze haana kuramba aidawo
mombe, vakawirirana kuudza mhuri yaMambo nhema.
Vakazozarura suwo ndokuraira kuti Tasara nevamwe vese
vehukama vapinde,vose vagara pasi Mugwaze akanyepera
kuhetsura nhema kuita seasvikirwa asi aive asina hake,
akatanga kutaura kuna Chatikobo.

"Tererai munzwe, Chatikobo mudunhu mako makarema


umu, mune varoyi vemandiriri, muroora wako uyu arohwa
nezvivanda, shaya dzatooma kutaura haasi kukwanisa,
anoita zvakanaka hake achada mishonga inowanika
muchikomo chinoyera cheMuringazuva, uko
ndichanouchera wandarairwa izvi zvichatora mazuva akati
wandei ndinozoutumira kuna Mupamombe wopedzisa
basa, pari zvino murwere uyu anofanira kumboendeswa
kumba kwavo, wozouya kana achinge aita zvakanaka,
ndozvataurwa nevari kumhepo Changamire wangu "
Mugwaze aiva anyepa kuti mishonga icharapiswa Ruramai
inowanikwa kure kuna Muringazuva achiitira kuti Mutenda
awane nguva yekunotaura nemhuri yaManyara aripe ngozi.
Chatikobo aive wofemera pamusoro nehasha, zvimwe
zvese ainge asina basa nazvo aida kuziva muroyi aita izvi,
akabvunza asi akavanzirwa zvekare akapihwa mhinduro
yaakagutsikana nayo asi vachinyeperwa, vakabvumirana
nenhau yekuti Ruramai aendeswe kumba kwavo, vakaraira
kuti aizotakurwa zuva ranyura kuti vanhu vasaona, iye
Ruramai wacho aiva wongoyerera masiriri shaya dzainge
dzaoma uku maziso aiva asisaone zvachose,Mambo
Chatikobo vakatenda Mugwaze nekuuya kwake pamwe
nebasa raiva abata vakabva vamuti vaizotumira muripo
wemombe mbiri dzaizouya nevaranda.
Tasara achiona mudzimai achibuda masiriri asiri kupera
akarwadziwa kusvika pekupedzisira akapika pazere vanhu
kuti akaziva munhu aita izvi ari kuzomuuraya nepfumo
rakacheka nyika.

Vanhu vakazoparara zuva ropinda muna mai varo, Tasara


akaraira varanda kuti vateme matanda ayo aida
kutakuriswa Ruramai kuenda kumba kwavo, kunze
kuchingotanga kusviba chete, vakabva vamutakura,
Mugwaze naMupamombe ndivo vaiva mberi votungamira
vachimwaya mushonga munzira kuitira Manyara
asavavhiringa kusvika kumba kwavo. Vakanosvika
paMutenda zvakanaka, Mupamombe akabva aenda
kumba kwake, uyuwo Mugwaze akadzokera Kumuzinda
ndiko kwaaizorara wozopinda munzira kudzokera kwake
mambakwedza.

Mutenda akasara wogara nehama dzake pasi akavaudza


chokwadi chaivapo nezve ngozi iyi, vari pakati pekutaura,
moto waibvira wakangodzima kuita sewaiswa mvura, vose
vakavhunduka nechiitiko ichi vakasimuka vese vogara
muimba yokubikira maiva nemoto, vakangoti vachipinda
imba ndokubatira moto denga rese yakavabata wabata
kubuditsa zvinhu panze, asi hapana zvisvinhu zvakabuda
denga rakabva rawira mukati.
Mutenda akabuda womhanyira kumba kwaMupamombe
kunomushedza kuti aone zviri kuitka pamusha pake ari
munzira akabva anyatsoona Manyara akamira mberi
kwake, akabata hari mbiri achiyeredza misodzi, Mutenda
ungazomuziva kuti ndiye jinda guru raChatikobo rine
hushingi akabatwa nekutya makumbo kubvunda ,akatanga
kukumbira ruregerero, pakarepo Manyara
akangonyangadika, Mutenda akapfurira mberi nerwendo
kumhanya kwaMupamombe,asi pakamurebera
zvakanyanyisa aiva ari munzira chaiyo asi aisasvika
paMupamombe pacho, akazoona kamoto kaibvira pane
umwe musha ndokupinda nepo achida kubvunza pane
musha waMupamombe asi akanosvika paaiva aona moto
paye wanike hapana musha, akanyatsopererwa
ndokuzonzwa mazwi aitaura kune rimwe divi akaridza
mheterwa ikadairwa, akafambisa woenda kwaiva kwadaira
kuya, wanike hakuna vanhu, ndopaakanyatsoona kuti
arasika, akabva aona dombo ndokumbogara hake
wozorodza makumbo, hope dzikati tisvikewo mukweguru
ndokurara, akazoita kupatika hake atonzwa mbongoro
kuchema, wanike akarara pamusoro peguva, akasimuka
achicheuka cheuka kuti hapana ainge amuona here,kunze
kwainge kwatochena, nzvimbo yaainge ari akabva aiziva
yaitova chinhambwe chakakura kubva kumba kwake, nzira
yacho yaiva yaitopfura nepamba paMupamombe pacho,
akangodzungudza musoro chete, ndokutora nzira yaaida
chaiyo, akazonosvika paMupamombe asi akanzwa kuti
haapo, amukira kunochera mishonga yake kuchikomo.
Akaenda kumba Mutenda akanosvika imbwa dzese
dzakaoma dziri pachivanze, akamhanyira kudanga
remombe achiti zvimwe dzaparadzwa asi hakuna chainge
chaitika, mudzimai wake pamwe nehama vaiva pamusha
pake vakamuudza mashiripiti aiva akasara achitiika nguva
dzainge akabuda,vakabva vatoronga kuenda kwambuya
vaManyara kunozvizivisa vega kuti varipe mhosva idzi, asi
vaida kuenda naGodobori Mugwaze uyo aiva kumuzinda,
Mutenda akabva atopinda munzira kuenda kumuzinda
kwacho, asi haana kuzosvika akasangana naTasara
nemachinda achiuyawo kuzoona kuti Ruramai amuka sei,
akabva atoudzwa kuti Magwaze afumira kubata jogwe
muromo kudzokera kwake akaratidza kunetseka chaizvo
ndokudzokera kumba nanaTasara asi haana kugara hake
akavasiya iye Mutenda nehanzvadzi yake vakapinda
munzira kuenda kwana Manyara uko vakasvika pamusha
apa pasina vanhu zvekare asi vakatoti havabve vasina
kuvaona vaiva vofunga nhamo yehusiku, mbuya
vaManyara vakazosvika, vakatoshamiswa nekuona
Mutenda pamba pavo vaiva vasati vakamboona gumbo
rake pamba pavo, vakavatambira ndokupinda navo
mumba. Mutenda akaita kupfugama somunhukadzi
achiombera kuratidza kuzvininipisa akabva ataura mhosva
yavo yainge yakaparwa nemwana.

Mbuya vaManyara vakatarisa Mutenda neziso rakasara


panzara ndokuti "Heya ndiwe hako wakauraisa muzukuru
wangu sembudzi, wouya pano uchirembedza uchindiudza
zvisina
basa, kurumidzai kubuda Manyara acharwa hondo yake
ega uye ndiye achakutaurirai zvaanoda kuripwa nazvo , iwe
nemwana wako hamusati matanga, imba iyoyo mwana
wako haaigare".

Kupetwa kwechitsauko

https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185

*CHITSAUKO 11*

Mutenda achinzwa mashoko Ambuya vaManyara akaita


kuhwihwidza misodzi somudzimai chaiye, akatorambirira
kubuda mumba sezvainge ataurirwa, mbuya Manyara
vakazonzwa tsitsi vaona kuchema kwehwendefa yerume,
ndokuzoraira kuti panoda Godobori pedyo uyo anokwanisa
kutaura nengozi iyi kuti inoda kuripwa sei uye nemuripo
wacho, kana achinge awana Godobori ndiye aizomuripa
muripo wake kwete mbuya Manyara. Mutenda
akabvumirana nekutaura kwambuya Munyara,
ndokusimuka hake vachivavimbisa kuti ari kunoona
Mupamombe ataure naye wozouya naye kuno kuti aite
mutambo mukuru uyu.

Achibuda mumba Mutenda akananga kumba


kwaMupamombe, aida kunotaura naye uye womukumbira
kuti amubatsire pakubvunzira ngozi iyi kuti inoda kurapwa
nei,akanosvika pamba paMupamombe akatowana
pakazara vanhu vazhinji pachiratidza kuti pane zvainge
zvaitika, hana yake yakamborova zvishoma achipinda
muchivanze, vanhu vaiva vakaungana pavakamuona
sejinda guru raMambo vakasuduruka kuti awane kupinda,
apo akanyanyisa kuvhunduka paakaona Mupamombe
akaita kusungwa maoko nemakumbo, achingotaura
zvaisanzwisisika, akabva atoziva kuti aive worasa njere,
akabvunza kuti zvainge zvatanga sei uye rinhi, akataurirwa
nemudzimai wake kuti nguva dzavabuda kunotsvaga
mishonga yavo, tazongoita kushedzerwa vave kupenga asi
mashoko avarikunzi vanga vachitaura ndeekuti
*Wakandiuraisa ndisina mhaka* aya mashoko Mutenda
akabva atomaziva waiva mweya wa Manyara, asu haana
kuda kuzviratidza kuti amaziva, akangodzungudza musoro
achibva ati avakunozivisa Mambo wake, ndokubuda hake
nguva iyoyo asi aive apererwa kunzwa makumbo kupera
simba, aizomuwana kupi umwe Godobori, imwe pfungwa
yake aitoda kutevera Godobori uya wekwa Matara, auye
naye apedxise mutambo uyu sezvo ainge akavavimbisa
mombe, aitaura ega arimunzira kuenda kumuzinda,
akatozovhundutswa na Mutanho, uyo aiendawo
kumuzinda vakabatanq nzira asi hapana akataura neumwe
dzamara Mutanho abvunza
" Mutenda unezvirikunetsa mupfungwa here, mugariro
wajo chaiwo ndouziva".

"Ndinogofara sei, hauna kunzwa shoko rekuti Ruramai


arikurwara, waiva usipo zuro pamutambo here
paakadonha pazere vanhu , usada kundinzwa Mutanho
handisi sahwira wako, ndinokupedzisa ne dembo iri iko
kasoro kako kazere nhopi"

Mutenda akataura asisiri kuzhinya zvake, iro ziso raive


ratotsvukiswa kwainge kwavakupedzera shungu pana
Mutanho asina chaanoziva hake, iyewo Mutanho wacho
haana kuda kuenderera mberi nekutaura akabva aoeta
muswe, kuri kutya kusakadzwa ne demo sezvaainge
avimbiswa aimuziva Mutenda aiva murume ane hutsinye.
Vakasvika kumuzinda vasiri kutaudzana ndokuenda
padare paiva nevamwe. Mutenda achiona Mambo vasipo
akasimuka woenda kunhumba yavo uko akanosanfana
navo vachitopfiga gonhi ravo, vakamutsana ipapo Mambo
vobvunzawo kuti muroora wavo amborara sei ne hurwere.
Vapedza kukurukura ya Ruramai, Mutenda akabva
avazivisa yaainge auya nayo ya Mupamombe yekurasa
njere kwaiva aiita,Chatikobo achinzwa iyi nhau
akambotura mafemo ndokuti

"Unechokwadi ne zvauri kutaura here Mutenda, Godobori


waShe, kurasa njere ko basa resvikiro remuno mudunhu
nderei, chokwadi Tateguru wangu Chatikobo kurega rima
richiputira ziso rangu, ndakatadzeiko muno mudunhu, nhai
varikuuzuru hamundipindure here ndikazadzisa
zvamunoda"
Aive wongoungudza neshungu Chatikobo, izvi zvaiva
zvatomunetsa zvaisava nyore kut munhu akasarudzwa
neSvikiro kuti ave Godobori wa Mambo arware nepfungwa
iye achifanira kuita basa rakakosha.Chatikobo aisaziva
hake zvakavabzika zvaizivikanwa na Mutenda pamwe na
Godobori wake, akambonyarara kwechinguva ndokubata
Mutenda bendekete woenderera mberi nekutaura

"Tanyangirwa newakaipa chokwadi, ziso redunhu


ratosvorwa, waita zvakanaka wauya neshoko iriachiri
mangwanani kudai, ndavakutuma nhume kumhiri kwa
Chadamoyo uko vanotsvaga Godobori anonzi
Mafirakureva, uyu murume ava mukweguru hake asi
haaite zvokutamba ne matare handizive kana achiri
kurarama , ndakapedzisira kumuona makore anoraudzira
akapfuura,ndiye aive akashopera hondo yakazoitikaa
muno mudunhu pakaparara verudzi rwangu zita rake
chairo ndi Gwambiza asi akazopihwa rokuti Mafirakureva
sezvo kana ava pa basa rake haatarise chiso anongedza
chero Mambo , ndiri kuda anotorwa iyeye auye achenure
dunhu rangu, anenge angonongedzwa kuti ndiye
akukonzera matambudziko kuna Mupamombe pamwe
nekumuroora wangu Ruramai ndirikumutumbura
rakacheka nyika, ndishedzera Tizirai nevamwe vaviri vauye
pano ndivaraire nzira izvozvi".

"Zvakanakai Changamire"
Akafamba woenda kunoshedza vakomana
vaingevatumwa, asi pfungwa uekushedzerwa chitopota
chinogona kuronda tsoro haana kufarira aiziva kuti ndiye
aisvikonongedzwa akadzingwa mudunhu uye mwana
wake anobva arambwa, akatozviudza kuti anotoita zvekuti
varikutumwa vasasvika kuna Godobori uyu, akashedza
Runamba, Ruzivo na mhare. Tizirai aive amukira
muchikomo chaive pedyo ne muzinda kunotarisa misungo
yake. Mutenda akaenda ne machinda aya kuna Mambo
avo vainge vava padare pavo, nyaya yaiva yotozeiwa
pajekerere, Mambo vachiona machinda avo ava vakabva
vatanga kutaura navo

"Izwai vakomana iwe Runamba ndiwe uchatungamirra


nzira iyi ndoda muyambuke rwizi runonzi Chirichena,
ririkumadokero uko, kana mayambuka muchafamba
chinhambwe nemusango rinoyera kana mapedza sango,
iri muchambukazve kamwe karwizi kadiki, mberi kwenyu
muchange moona zvikomo zvakaturikidzana mberi
kwenyu, mofamba makatrira makomo iyayo, muchatanga
kuona musha uripedyo nemapako ndipo panogara
Godobori uyu, kana masvika paari munomutambidza ka
tsvimbo aka anoziva shoko randareva kwaari uye anoziva
nhumbi dzekuuya nadzo kuno, mukanzwa ati fambai
ndirikutevera imi pindai munzira musamira iye anofamba
neSvikiro munomuwana atova pano padare "

" Zvakanakai Changamire" anodaira Runamba,


ndokusimuka vonotora zvombo zvavo zvavaifamba nazvo
ndokutobuda mumuzinda, padare pamomboita runyararo
kwenguva pfupi, Mutenda anobva aonekq achiti
avakumhanyira kumba anoba mukwasha wake Tasara
achiriko sezvo ainge amukira kunoona mudzimai wake
amuka sei, Mambo vanobvumira kutu aende hake kumba
vanomutenda zvekare nekusvitsa shoko rekurasa njere
kwa Mupamombe.

Mutenda paanobuda mumuzinda haaende kumba, ainge


aronga tsoro yekuda kuvhiringa ana Runamba vainge
vatumwa kunotora Godobori, aisada kuti auye mumuzinda
aiziva kuti ndiye achadonwa, zvikazomudzingasa
mudunhu pamwe nekumubvisa chiremera. Akafambisa
kwazvo wotora nzira yaizopfuura nenhume dza mambo
wake, akafamba chinhambwe chaicho achingobuda
mudunhu mavo, akayambuka rwizi ndokuhwanda paseri
pezidombo raivapo, womirra kusvika kwana
Runamba,akagara kwenguva haasi hapana waakanzwa
kana kutaura akafunga kuti zvimwe anyangira yaona
zvichida vachinja vanzira havo, akabuda paaiva wofamba
kudzokera asi achingokanda nhanho mbiri aosnzwa izwi
ra Mhare, akabva achimbidza kunohwanda zvekare
dzamara onzwira mazwi aye pedyo pedyo, akaverega
vachiyambuka rwizi havo vavakusvika paaiva skagadzira
huro yake zvishoma ndokuyanga kudanidzira nezwi gobvu
kuti asazivikamwa.

"Nume dza Chatikobo, pfugamai pamuri ipapo mapinda


musango ra Chirichena, ndanga ndichikurondai kubva
kumuzinda wa Chatikobo, ndati ndikucbingamidzei
musazofambira pasina, Godobori wamatumwa
akatsakatika mwaka wapfuura, dzokersi munotaurira
Chatikobo kuti atore Godobori anemukurumbira anonzi
Chigwaze anobva kwa Mambo Matara, ndiye achapedza
dambudziko rapipinda mumusha make, rasvika here
shoko vazukuru "

Runamba nevamwe vake vanoombera pamwe chete , vose


vaiva vobatwa nekutya kunzwa izwi remunhu wavasiri
kuona, Ruzivo anopindura " Riri munzeve asekuru
tinosvitsa sezvariri"

"Zvakanaka chifambai musacheuka". Mutenda


paanotaura mashoko aya anoyeva nhume dzamambo
wake dzichisimuka setsuro yavhundutsirwa nembwa,
anobatwa ne setswa hake wogegedza kuseka asi vana
Runamba havana chavanonzwa sezvo vainge vanzi
musacheuka. Mutenda anombosara akagara hake
kwenguva ndokuzobuda paaiva agere, wombogegedza
zvekare ega ndokuzopinda munzira kuenda kumba, apa
akazvirova dundundu ainge agona kuvhiringa zvaida
kuitwa naMambo, apa aiva adoma Mugwaze. aiziva kuti
uyu akauya haazombofa akamudoma sezvo achiziva nhu
yese uye sepakutanga.

Kumuzinda wa Chatikobo, Tasara kubva zvaainge abva


kwa Mutenda kunoona Ruramai akanogara zvake mugota
make wopfuga gonhi achiti haasi kuda zvekunotandara
padare, akatozogogodzerwa na baba vake avo
vakamuraira kuti avhure vaida kutaura naye. haana
kuramba hake, akazarura Chatikobo
akapinda,vakakwazisana baba nemwana.
" Nevanji wangu, zvowoita semwenga kuzvivharira muno
wega, ko waona arisei mwenga wangu nhasi".

"Baba zzvinhu hazvina kumira zvakanaka zvachose


arikusimbirwa Ruramai angaataotadza kundiziva
nekurwara kwezuva rimwe maziso avakuona hawo asi
zvirilure,ndatopererwa ini, hamunawo zvamungaita here
kuti arapwe"

Chatikobo anboramba akayeva mwana wake kuita


searikumifananidza, ndokumbobvisa gararwa raive
remedza huro ndokuti " Tasara mudzimu wakupa ronda
wati nhunzi dzikudye, usazvidya moyo ndatuma vakomana
kwa Chirichena kunoshedza Godobori wemandiriri
Chitopota chinonhonga hurungudo murima, akasvika pano
chete hurwere hwama Ruramai hwatope,,,"

Havana kupedzisa mashoko avo, vanzwa kushedzwa izwi


vakabva variziva aiva Runamba uyo ainge atungamirra
munzira yookuenda kwa Chirichena, vakasimuka vomiraira
kuti apinde hake akapfugama, asati atanga kutaura
Mambo vakabva vatomunaya nemubvunzo
" Maona ariko here Godobori wandakutumai, ndinovimba
avapedyo kusvika".

"Ndinehurombo Changamire wangu, hatina kusvika kwa


Chirichena sekureva kwenyu, tati tichibira rwizi
runoganhura isu iro, tanzwa kutaura kwesvikiro, iro rati
tidzoke neshoko iri kwamuri, zvanzi Godobori wamatituma
akashaya mwaka wapfuura, munhu an9gina kupedza
dambudziko renyu Godobori Chigwaze uya wekwa Matare
aivapano pamutambo waNevanji, ndiwo mashoko ataurwa
nesvikiro".

Chatikobo akabva atsikitsira kuratidza kupererwa


matambudziko aaiva akatarisana nawo ekurwara kwa
Godobori wake mupamombe aisada ndoda pakushopera
akaraira Runamba kuti abude hake, ndokusara vega
mwanakomana wake
"Tasara ndichatuma nhume kunoshedza Magwaze auye
kuno mangwana kunofanira kuchena avapano vanorara
vachifamba nhasi chaiye, parizvino ndodakukutsvakira
tsvarakadenga mudunhu mangu urarare wakaiswa
pachipfuva urege kufunga zvakawanda, Nyepudzai ndiye
ega anerunako kupinda vasikana vese mudunhu, rega
nditume Ruzivo anomushedza nditaure naye".

"Kwete baba musazvinetsa henyu ndichamirra Ruramai,


uye Nyepudzai haangambondida ndakaita hutsinye kwaari
paya pandakarega achiberekwa na Ruramai, chimwezve
chamusiri kuziva anofambidzana na Chamu aimbova
shamwari yangu".

"wavakurasha njere here Tasara iwe uri Nevanji hakuna


muranda anoita tsvarakadenga iwe ucjsara nechitsiga
kwete, Chamu anosiya Nyepudzai asingade achida
anosarudza kurara nepfumo kana kusiya Nyepu,
ndirikutuma Ruzivo izvezvi"

Kupetwa kwechitsauko

https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*
Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185

*CHITSAUKO 12*
Mutenda nguva dziye dzaainge abva kutaura sesvikiro
kunhume dzaChatikobo, anoenda kumba kwake uko
anosvikowana mudzimai wake akabata gotsi
achikwetsura mhere, hana inorova asati apinda mumusha,
anomhanya kunonzwa kuti chiyi asi mudzimai wake
anotadza kupindura anongonongedzera muimba maiva
makarara Ruramai, Mutenda anomhanyiramo, anonowana
mwanasikana wake abuda furo mukanwa nemumuromo
uye ava kufemera kure, anomudira zvirongo zvemvura uku
kwaiva kwangovawo kuzama asi chikonzero chaicho
aichiziva kuti ingozi iyi. Aona kuti anenge ave kufema
zvirinani anoraira mudzimai wake kuti amutarire iye
anobva atora pfumo rake pamwe nenhava, ndiye munzira
tande wonanga kwaMatare kunotora Godobori Magwaze
ega, aiva atoona kuti akada kurara nezamhu mukanwa
anomuchema mwana wake, aizopa Magwaze chero
muripo waanenge ataura akamubatsira kuti mbuya
Manyara vatambire kuripwa uku.

Pamusha pambuya vaNyepudzai, panosvika machinda


maviri ayo aive atumwa naChatikobo, vanokwazisa mbuya
vaNyepu ndokubvunza kana iye aivapo asi mbuya vake
vanoti haapo nyangwe hazvo aivamo, vaisada zvachose
kuti aende kumuzinda kwacho, apawo Nyepudzai
paanonzwa kutaura panze anoda kuziva kuti ndiyani ari
kutaura nambuya vake anobva abuda woitwa mahwekwe
naRuzivo, mbuya vake vanoshaya pekupinda nenyadzi
sezvo vainge vanyepa havo kuti haapo semunhu mukuru
vanovhara manyepo avo zvakachenjera
" Aizve ko Nyepudzai wapinda nguvai, chokwadi kufa
maziso kuparara panyika kana kukuona ndatoti haupo ka"

"Ndapinda makarara ambuya, vari kudei vakomana ava"

"Tatumwa iwewe naMambo vati tiuye newe" akakurumidza


kupindura umwe wemachinda, hana yaNyepudzai
yakarova "Kwanaka here, vari kundidiyi?"

"Hatina mhinduro yauri kuda Nyepudzai pinda pamberi


tiende, hatisi kukusiya"

"Endai munoti mandishaya ndokumbirawo" akataura


achipfugama asi havana kuda kumunzwisisa vose
vakaramba pfungwa yekunonyepera Mambo mbuya vake
vakazongomuti aende anonzwa kuti kunei,akabva abuda
wopinda munzira kuenda kumuzinda, aifamba achiyedza
kufunga zvaanga shedzerwe naMambo asi akazvishaiwa
iye zvekushedzwa naMambo aisada aiziva kuti
Mambokadzi vakamuvenga. Vakanosvika mumuzinda
ndokuendwa naye padare paiva naMambo avo vakazhinya
sechana vakamutarisa zvekuti iyewo Nyepudzai akatoti asi
vava kurasa njere, akapfugama ndokuvakwazisa achibva
agara pasi. Mambo vakaraira machinda ose asuduruke
avasiye vari vaviri chete,vasara kudaro Chatikobo
akatanga akakaira mukombe wake wemahewu
ndokumbopukuta masese aiva agara mundebvu dzake
achibva atanga kutaura

"Nyepudzai mhandara yakarurama, unoziva une runako


kupinda vamwe vose mudunhu umu, ndakushedza kuti
ndikurukure newe tiri vaviri kudai, ndofunga uri kuziva
shoko reurwere hwaRuramai, pari zvino hwatokomba
handifunge kuti achakwanisa kuita mwenga wangu
zvekare uye Tasara akasurukirwa chaizvo, unofungei
nazvo ".
" Pamusoroi Changamire,ndine hurombo nekurwara
kweMwenga wenyu ndinomushuvira kuita zvakanaka,
handina chimwe chandinofunga pane zvandareva"

" Nyepudzai une mudzimu une shavi rekudyanhoko


dzezvironda, ndakupa bonzo kuti usvisvine iwe wokandira
imbwa, ndiwo wako mukana wekuva mwenga, ndiri kuda
kuti upe Tasara mufaro waasati akambowana panyika
pano anobva akuroora ".

" Mondiregererawo Changamire asi hazvigone, kuti nditore


murume waRuramai nyangwe hazvo akandivenga , uyezve
ini ndakawanikwa"

"Kuwanikwa!, unoreva negwereweshe iro fudzamombe


randakanzwa kuti ur ikudanana naro"

"Kwete fudzamombe asi Chamu"

"Usandipindura kunge uri kutaura nemurume wambuya


vako,heya haudi kubuditsirwa meno unoita manyemwe,
manje usingade uchida nhasi uri kurara mugota maTasara
ndoda kuona anoti bufu, kurumidza kusimuka pano uende
kugota kwaTasara izvozvi"

"Ndine hurombo Changamire nekukutsamwisai muromo


unodya munyu unopotsa pakutaura, ndinobvuma zvose
zvamataura asi ndinokumbirawo nguva yekusiya ndabikira
mbuya vangu kudya kwamanheru pasvika nhume dzenyu
ndanga ndichigadza muriwo pamoto, ndouya hangu
kumanheru ndorara kuno, ndapota nditenderei ndinobika
chete ndodzoka nekuchimbidza"

"Hauchinzwa manje ndiko kunonzi kutaura ka uku, enda


uchipihwa chimukuyu naMambokadzi unobikira mbuya
vako, wofamba kuchiri kuchena, uzosvibirwa wave muno
mumuzinda"

"Zvakanakai Changamire" anosimuka wobuda hake


mumuzinda kana kuna Mambokadzi haana kuenda hake,
aisada zvekupihwa muriwo waainge audzwa, achibuda
mumuzinda akambotura mafemo, aive azvinunura
pakupihwa nguva yekunobikira mbuya vake, apa aive
afunga kunooudza Chamu kana ane zvekuita woita kuti
asadzokera kumuzinda kunoitwa mukadzi naTasara,
akaenda kumba ari mhepo chaiyo, apa achiita kutaura ega
zvake, akasvika kumba kwavo akawana Chamu akatogara
nambuya vake, haana kuda kupedza nguva
akavatsanangurira vese zvaainge ashedzerwa, izvo
zvakashatirisa Chamu akaridza tsamwa achibairira
bakatwa pasi vose ndokumbonyarara, mbuya vake ndivo
vakatanga kutaura mushure mekukweva bute ravo

"Vazukuru vangu imba yenyu yatopinda pongwe kana


yatodai, Chatikobo ndinomuziva ini haabvise ziso
paanenge atarira, kupukunyuka chete kutotiza muno nhasi
chaiye"

" Tichienda kupi Ambuya, munoziva ini handina


kwandinoziva uyuwo Chamu hakuna kwaanoziva"

"Hakuna dunhu risina vanhu muzukuru munotsvaga


kwekupotera ini handina basa hangu, ndakwegura kare"

"Hamusare Ambuya toenda nemi nhasi chaiye tiri kubuda


muno, ini ndavakutonorodza zvombo zvangu
ndotungamira, hatizive kwatichananga asi ngatisanganei
kurwizi imi munobuda musina chamunacho moita semuri
kuenda pedyo, handingarega Chatikobo nemwana wake
vachitora mudzimai wangu " achipedza kutaura Chamu
akadzura bakatwa rake raainge abairira pasi, akaronga
ndokusimuka woenda kumba, hapana waaizotaurira
kumba kwaaishanda aiziva kuti vakashedzwa naChatikobo
vaizotaura kwaanenge aenda,achisvika kumba akatora uta
nemuseve pamwe nepfumo, bakatwa akaisa muhombodo
yaro ndokubuda hake achiita semunhu ari kunovhima
hake, akashedza imbwa dzake mbiri ndokubuda ndiye
tande wonanga kumadokero kwedunhu ravo aizonomirira
Nyepudzai nambuya vake. Akamira kwenguva refu zvekuti
aiva akutonetseka pfungwa dzake aive woti zvimwe
nhume dzaChatikobo dzasvika vasati vabuda pamba,
akatanga kufamba wodzokera achingopota seri kwechuru
akabva aona Nyepudzai achiuya ega hana yake yakarova,

"Wasiya Ambuya kupi Nyepu"


"Varamba kuuya vati isu tiende"
"Ndinodzokera kunovatora kana vasingakwanise kufamba
ndoita vekubereka vanouraiwa naChatikobo"
Vaviri vanofamba voyambuka rwizi vopinda mudunhu
raMambo Gurupira, vanofamba chinhambwe kubva
parwizi ravainge vayambuka ndokuzowana paiva
nemapako apa vaida kutsvaga pekuzorara havo vozotanga
kufamba mangwana votsvaga divi raiva nedzimba sezvo
zuva raive rogara miti ravakuda kupinda munamai varo.

Zuva richipinda munamai varo, Mutenda ainge


woyambukawo rwizi kudzoka kubva kwaMambo Matare
uko kwaainge aenda kunotora Godobori wake Magwaze
kuti auye kuzorapa Ruramai, vakazosvika pamba pake
zuva ratonyura, vakawanda Ruramai ave kutotandadza
hake iro ziso raita kuchena, Magwaze aiziva hake nhau
yacho akashonga nguwo dzake ndokuzama kushedza
mushakabvu kuti ataure zvaaida, izwi raManyara
rakabudira panamai vaRuramai rakatanga nekuseka
"Mati madi henyu, uyu hazombowana zororo muhupenyu,
akandiuraisa ndisina mhosva, kuiripa motonoiripira padare
raChatikobo pakadeukira ropa rangu moudza Mambo
nevanhu vake vose zvakaitika chaizvo, mombe ndinoda
zana, zvimwe muchaudzwa nambuya vangu, zvandinoda
zviitwe mumazuva maviri chete ndisati ndatanga
kusakadza mhuri yese yaMutenda, ndichakuratidzai
chidimbu chete kuti mundizive ndini Manyara ".

Izwi rakabva raenda sare mai Mutenda vangoti tasa


vakazomwaiwa mushonga naGodobori ndokuti bengenu,
Mutenda akaoma mate mukanwa nezana remombe
raainge audzwa hapana kwaaizodziwana dzake dzaiva
dzakawanda hadzo asi dzaisasvika pazana, akabata
musoro kuratidza kuomerwa chaiko, Magwaze
akambokanda hakata dzake, ndokubvunza Mutenda kuti
ari kufungei, asi akataura nyaya yemombe dzaidiwa aiva
asingadzikwanise, vachiri pakati pekutaura vakanzwa
mombe kudzvova kudanga kuita seiri kudzipwa, akabuda
Mutenda womhanyirako, uko akanopera simba chiona
mombe dzake dzakaita murakatira, zhinji chainge chava
chando, akamhanyira kunoshedza Godobori uyo akauya
achisvikodzungudza musoro, ngozi yavaiva vakatarisana
nayo yaiva nehukasha. Godobori vakasarudza kutsipika
ngozi iyi asi vaidawo muripo wavo wemombe gumi,
Mutenda akabvuma kuti vatsipike, akati izvi aizonozviita
paguva raManyara husiku vanhu vese varara pasina
anovaona, guva iri raiva muruzhowa rwambuya vake
mumunda.

Kunze kwanyatsodoka vanhu varara zvino kwaiva


kongonzwika kuchema mapere Mutenda naMagwaze
vakabuda pamba vofamba kuenda kwambuya vaManyara
uko kwaiva nechinhambwe kusvikako, vakafamba
Godobori aiva pamberi nenhava yake Mutenda aive
wongofambira kushinga asi aitya, vakasvika pamba
pambuya vaManyara ndokupfugama vasati vapinda
mumunda maiva nerinda, vaizokurura nhumbi dzese
vaizotsipika vasina kupfeka uye kana vachinge vapedza
vaizofamba nenhendeshure. Vakabvisa dzese vachibva
vazora mishonga mumaoko pamwe nekumeso
ndokupinda vofamba, vachinosvika Godobori akatanga
kudetemba mutupo waManyara achikumbira mvumo
yekuzorodza mweya wake, akapedza kudetemba
ndokumwaya guva mushonga ari pakati pekumwanya
akatambidzwa mbama iyo yakamudzvovesa semunhu
arumwa nemago apa aisada kuti Mutenda azvione kuti
arohwa.

Mutenda paakazotambidzwa umwe mushonga kuti


amwaye achiraira Manyara kuti asiye Ruramai awane
zororo, achingotanga kutaura chete akabva atambidzwa
mbama yaasina kuona kwayabva akabva apunzika
achimuka akatambidzwa imwe yaibatanidza nzeve
akairidza mhere murume mukuru ndiye tsoka ndibereke
wosiya Godobori ega.
Godobori akasara opedzisa ega zvaaiita, ndokuzobuda
nenhendeshure dzamara anosvika paaiva asiya nhumbi
dzake, akapfeka ndokutakura dzaMutenda uyo aiva
angomhanya achikanganwa dzake nekutya, akapinda
munzira wofamba asina kucheuka dzamara anosvika
pamba paMutenda. Akatanga kupfungaidzira Ruramai
imwe mishonga kuti aiite zvakanaka, asi zvaizoda mazuva
maviri achigadzirwa kuti anyatsosimba sezvo ainge achiri
bofu, mombe dzose dzaiva dzauraiwa dziya dzakarairwa
kuti dzisadyiwa nemhuri yaMutenda.

Iyewo Mutenda ainge orapwa nzeve yaainge arohwa


mbama kuguva iya, yaiva yobuda hurwa hwakanyanyisa
huchiita kurembuka kunge wasanganiswa nederere,
akazorwa mushonga asi hapana chakachinja yainge
isisatonzwa zvachose.

Kupetwa kwechitsauko
https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*
Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185
*CHITSAUKO 13*

Kumuzinda Mambo vainge vasina kufara zvachose


nezvainge zvaitwa naNyepudzai uyo ainge asina kuzoita
zvavainge vabvumirana naye kuti aizouya kuzorara
naTasara, Chatikobo ainge atuma vakomana
kunomutarisa kumba kwavo sezvo kunze kwaiva
kwatosvika asina kusvika, asi mbuya vaNyepudzai vainge
vati abuda achiti ari kuenda kumuzinda, izvo zvakapa
Chatikobo pfungwa yekufunga kuti Chamu anodaro ariiye
aita Nyepudzai musenga bere, iyi pfungwa inoshaisa
Changamire hope vachizama kufunga zvavangaite
kuparadzanisa Chamu naNyepudzai asi vasati vaita izvi
vaida kuona kana Nyepudzai akasasvika mangwana
mangwanani,hope dzinovabata havo ndokurovera matama
pasi,vachangobatwa nehope vanonzwa kugogodzwa
pagonhi renhumba yavo, vanodaira mushure mekunzwa
izwi raMusvati uyo aiva umwe wemurindi wemuzinda,
ainge ambotenderera hake mudunhu, aivawo nechipfuva
chinobvinza, ainge ane zvaaive aona asi zvakamuremera
kuti amirire kunze kuchene asina kuzivisa Mambo.
"Ndine hurombo Changamire wangu, kukubvisai
mungoro yavashakabvu, ndinovimba manga matobatwa
nadzo, nguva dzandabva padare apo ndambodzokera
kumba ndichinotarisa kana mbudzi dzangu dzavharirwa
zvakanaka, nekuti mapere arura, zvino kusvika kumba
kwandaita, ndave kudzoka ndapinda nenzira iyo yepa
mbuya Gwasira, chiitiko chandaona handina kuchinzwisisa,
ndaona vanhu vaviri vanga vakamira pamarinda epo,
ndaramba ndakamira ndazoona umwe wavo womhanya
semunhu ari kutiza, ndabva ndahwanda munhu uyu
apfuura nepadivi pangu chaipo ndaona saMutenda jinda
renyu anga asina kusimira, ndaramba ndakatarisa umwe
wacho ambosara asi handina kumuziva dzamara apedza
zvaanga achiita ndokubuda wofamba asinawo kupfeka asi
azosimira hake ndokupinda munzira, ndamuronda ndaona
wonanga nenzira yekumba kwaMutenda ndatya kusvika
pedyo nembwa dzaMutenda dziya ndaiitwa kanyama
kanyama".

"Musvati, haisi ngano here yawandimutsira iyi, handidi


munhu anondiona sepwere hakuna zvinhu zvakadaro
zvinoitika mudunhu mangu, mangwana kuchauya
Godobori Mugwaze ndatuma machinda masikati
ndinovimba vatova munzira kudzoka vese kuno ndivo
vacharonda zvawataura kana chiri chokwadi ndinokupa
muripo asi ukatamba nemuswe wangu, ndinokugura
maoko"

"Ndine chokwadi Changamire, munoziva ini handitaure


zvandisina kuona"

"Zvakanaka Musvati , chienda hako unoita basa rako, asi


ndine zvandiri kuda kuti undiitire zvekare mangwana
rungwanani chairwo unofanira kufumira kuenda kwana
Nyepudzai uyu muzukuru wambuya Magaise,wonoona kuti
aripo here kana ukamushaya , utore mbuya vake pamwe
naMupesa uyo ari kuchengeta Chamu ndivo vachadudza
chakatadzisa imbwa kuseka vari vaviri"

Musvati anodaira wotendeuka kudzokera hake kusuwo


remuzinda kwaiva nevamwe varindi, anotanga kufunga
zvainge aona mumunda wambuya Gwasira,
anombozvibvunza kuti asi zviroto here , achiri
kuzvitongesa anotaudzwa naMakoya uwe wevarindi
"Musvati uri kufungeiko asi wave kufunga mudzimai
wawasiya kumba kani, uchiti anoitwei" akapedzisa
nekuseka zvake asi Musvati haana kupindura
kwechinguva ndokuzotanga akosora hake achibva
apindura zvinyoro

"Wadzoka waita shamwari yangu dai pasina izvozvo


ndingadai ndakutambidza mbama chaiyo unoti murume
akasvika seni angafunga mudzimai, handisi mbwende ka
ini, chinzwa unzwe Makoya, paya pandamhanya kumba
kunozarira mbudzi ndave kudzoka ndaona chisionekwi
mumunda wambuya Gwasira".

Musvati akaenderera mberi nekutaura zvaainge aona kana


Makoya akatya nazvo,vese vakabvumirana kuti anodaro ari
Mutenda chete, vaizoda kunzwa chokwadi kana Godobori
ataurwa naMambo achinge asvika, vakazopedzisa havo
votaura nyaya yaaiva audzwa Musvati naMambo
yekunotsvaga Nyepudzai mangwanani.
Kurira kwakaita Jongwe repiri, Musvati akaoneka Makoya
iye wopinda mudunhu woenda kumba kwambuya
vaNyepudzai paiva nekamufambo kubva pamuzinda,
vakazosvikapo kunze kwava kuchena, akapinda
muchivanze achinogogodza hapana akadaira,akazoita
kurova gonhi wanike mumba hamuna munhu, akanopinda
muhozi zvekare hamuna munhu, akabva afsmba kuenda
pamusha paSekuru Mupesa apo paigara Chamu,
akasvikoudzwa kuti Chamu akatiza, iye semunhu aiva
arairwa kuti akashaya vaviri ava anouya nevabereki vavo,
akaraira Sekuru Mupesa kuti vamuke vaende naye
kumuzinda, avo vasina kuita nharo havo, vaimuziva
Chatikobo kuti kana akushedza unotofanira kuenda
nyangwe hazvo makumbo aivarwadza, vakapinda pamberi
vofamba kuenda, uko vakazonosvika kwachena mhute
yainge yoperawo, akanomutsa Mambo achivazivisa kuti
Nyepu nambuya vake pamwe naChamu vainge
vasiko,Mambo vakanongedzera Mupesa netsvimbo
" iwe mukweguru kurumidza kunditaurira kuna Chamu,
ndisati ndakusvagada netsvimbo iyi"

"Changamire mungaita zvenyu zvamunoda asi mhinduro


yangu imwe chete handizive kwaari, akatotizawo neni tose
tine vanga rimwe, asiwo nhai Changamire ndiani musikana
asingade kuuya kumuzinda, zvino Nyepudzai zvaari kutiza
kuuya kuno zviri pachena ka kuti haana kusununguka"

"Mupesa wadzoka woita munhu wekuziva, unorutsa


kutaura kurumidza kubva pamberi pangu,
ndinokutwasanudza netsvimbo iyi"

Mambo vanoraira Musvati kuti abuditse Mupesa


mumuzinda noukasika, vainge vasina kufara nekuudzwa
chokwadi, vanobva panhumba yavo voenda padare apo
painge paveswa moto, vakanogara havo vega zvavainge
vasati vakamboita chaizvo, vachiri vakagara kudaro
vakanyatsoona Manyara achifamba pachivanze achienda
kunhanga yairara vasikana, vakamboti zvimwe kurota,
vakashedzera Musvati kuti atarise kuti ndiani ari kuenda
kunhanga uyo asi Jinda ravo rakati hapana munhu,
Chatikobo akatadza kunzwisisa zvaainge aona akabva
anyarara hake somunhu mukuru.

Kumba kwaMutenda, hapana chainge chakachinja


pakurwara kwaRuramai, nyangwe hazvo Godobori ainge
akabva kunotsipika, iye Godobori Mugwaze achiona kuti
hurwere hwacho hwave kutokomba zvekare akafunga
kutiza hake, asiyane nazvo, ukuwo Mutenda aiva asina
kurara achiungudza nayo nzeve yaibuda hurwa husiku
hwese.
Mugwaze ndiye aiva akurumidza kumuka, akarongedza
nhava yake ndokubuda akaona mudzimai waMutenda
achitsvaira chivanze vakamutsana havo ndokunyepa hake
kuti ane mudzi waaroteswa waari kuda kunotsvaga,
ndokubva abuda wotanga kukanda makumbo vanhu vasati
vave kufamba sezvo aisada kuzivikanwa naMambo kana
nevanhu vemudunhu umu kuti akauya, akatora nzira
yaizokurumidza kumusvitsa kumakura ndokubuda hake
asina amuona wopinda muchisango, achingoti fambe
akaona mudzimai aiva akatsiga svinga rehuni ari mberi
kwake achiendawo kwaaienda, nemadiro aaitawo
varandakadzi akaridza mheterwa kuti mudzimai amire asi
haana, dzamara iye atozoita zvekumhanya dzamara ava
pedyo, mudzimai uyu aiva ane chimiro chaiyemurika
chaizvo.

"Makadii, muri kuenda kupi tibatane nzira, ndinonzi


Godobori Magwaze ndobva kwaMambo Matara"
Mudzimai haana kupindura asi akangocheuka ndobva
vatarisana, wanike ndiManyara, Godobori vakapunzika,
mudumbu mukasuruka ndokuzvipanzira manyoka havo,
nguva iyoyo Manyara akabva angotsakatika sare
Magwaze wongobvunda ega agara pasi kana simba
rekusimuka akarishaiwa kwechinguva, ndokuzosimuka
pava paye asi gumbo rimwe raiva ratonhora zvachose
akuita rekuzvuva, akatanga kudemba chaainge
akabvumira kupinda panyaya iyi, uye chaainge
akambonyepera zuva rekutanga achivanza humhondi
hwaRuramai nababa vake, nechiitiko ichi akafunga
kutodzokera kumuzinda waChatikobo wonotaura
chokwadi uye worapanura Mupamombe uyu aiva
akarohwa neshamu naManyara akarasa njere iye
ndozvainge wotyawo kuti anogona kungotorwawo
pfungwa. Semunhu aiva avakuita gumbo rekuzvuva
zvaizomutorera chinguva kuti asvike kumuzinda, achingoti
fambe akaona zvekare Manyara, achiuya kwaari, apa ndipo
paakangodonha Godobori ndiye zii.

Godobori akazomuka achiita kunzwa mazwi evanhu


kutaura, mushure mechinguva, ndopaakasvinura wanike
aripa padare raChatikobo, hana yake yakarova
zvakanyanyisa kutadza kuziva kuti asvika sei pano,
pfungwa dzake ainge achiri kuziva kuti ambodonha
mushure mekuona Manyara, akatarisa makurukota
aMambo aiva akamukomba, ndokukumbira kubatwa kuti
agare zvakanaka mitezo wake wekurudyi wainge
watonhora, Mambo vakanoshedzwa ndokuuya avo vaiva
nemubvunzo yaidawo mhinduro, vakamutarisa Mugwaze
ndokuti
"Mugwaze, ndakatuma nhume dzangu kudunhu rako,
vakasviko kushaya iwe, nhasi uno vave kutodzoka ndipo
pavakunhonga mudunhu mangu, wanga uchienda kupi
uchibva kupi, une zvauri kundivanzira nhaika"

Mugwaze akambotarisa pasi paakasimudza musoro


akaona Manyara akamira pamberi pake, akanyatsoona
kuti apa pavakuda chokwadi, haana kuda kuirova akaviga
mupinyi
"Ndanga ndiri muno mudunhu, Mutenda akauya
kuzonditora kuti ndirape mwanasikana wake, zvino nhasi
ndanga ndakudzokera"

"Hoo ndimi vanhu vakaonekwa naMusvati kuguva


raManyara nezuro manheru ka, maiitei, taura zvose zvauri
kuvanza kana uchida kubuda muno uri mupenyu"

"Mondiregerawo Changamire, jinda renyu Mutenda riri


kundimanikidza, akandishedza kuti nditsipike mweya
waManyara wamushungurudza ndiwo uri kurwarisa
mwana wake, Ruramai ndiye akauraisa Manyara, ndine
hurombo nekunyepera dare renyu zuva remutambo uya,
taiva tavimbiswa mombe naMutenda, kutaura kuno kurasa
njere kuri kuita Mupamombe ishamu yaari kurohwa nayo
naManyara"

Vanhu vose vakabata muromo, Mambo vakaraira kuti


Mutenda nemwana wake vanotorwa pamwe naGodobori
Mupamombe, kuchitiwo mbuya vaManyara vaidiwa
zvekare,Tasara aive achakarara hake mugota make
akashedzwa zvekare ndokuuya. Makurukota ainge
atumwa kunoshedza Mutenda vakasvika pamba pake iri
mhere mudzimai wake akabata gotsi achiti Mutenda
angodonha achinongedzera kumukova wemba ndiye sarai.

Kupetwa kwechitsauko
*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na
Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185

CHITSAUKO 14.
Chamunorwa ndiye aiva akafamba nehusiku achiuya
kuzotora ambuya vaNyepudzai kuenda navo kubako
kwavainge vakarara naNyepudzai izvi aiva azviita manheru
apfuura aiziva kuti Chatikobo achaisa mbuya ava
pakaoma, vose vari vatatu vainge vofunga kwekuenda
zvino kubva pabako iri, mbuya vaNyepudzai semunhu
mukuru uye akakurira munharaunda iyi, vakaraira Chamu
kuti afambe navo kuenda kudunhu raMambo Dzumbunu,
iri raiva dunhu raiva chinhambwe kubva padunhu
raChatikobo, uku vainge vasina hama asi murume wavo
asati ashaika ainge ane shamwari yake yaaidyidzana nayo,
vaiva vachiri kuziva zita reshamwari yemurume wavo,
vaizofamba vachibvunza, makore ainge awandisa vaisava
ne chokwadi kuti mupenyu here kana kuti akatungamira
kuvadzimu kare, vakafamba chinhambwe kubva pabako
pavainge varara husiku hwapfuura, mbuya Magaise
makumbo ainge orwadza, vakabva vagara pachidombo
votura mafemo ndokuti

"Vazukuru vari kumhepo vakutungamirirei chaizvo, fambai


muende, mukasvika kwaMambo Dzumbunu munotsvaga
munhu anonzi Magadu, muzukuru waChidawa momudza
kuti muri vazukuru vaMagaise wekwa Chatikobo".
Nyepudzai achinzwa kutaura kwambuya vake,
akapfugama pavaiva ndokuvabata maoko, achida
kunzwisisa kuti vave kutaura mashoko aya, Chamu
akaraira mbuya Magaise kuti vasimuke avabereke
zvaisaita kuti vavasiye vega
"Tose tingatogara pano Ambuya simukai ndikuberekei,
makumbo enyu ndoziva kuti ave kurwadza"

"Vazukuru ini ndakararama hupenyu uye ndakaona


zvakawanda imi, hamusati maona hupenyu fambai
muende ndiri kuda kuti musvike kuchakachena, vari
kumhepo vanemi, ini pangu papera kare ndave kufira
musango sezvakaita amai vangu vakafa vachitiza hondo,
Nyepudzai tarisa pagumbo rangu iri ".

Anotarisa achida kuona asi hapana chaanoona, Chamu


ndiye anotozoona kuti mbuya varumwa nenyoka gumbo
vachifamba, anokurumidza kudambura chuma chake
chemuhuro woda kusunga gumbo kuti huturu wenyoka
usasafamba nemuviri, asi ainge atononoka mbuya
Magaise vainge varumwa patova nenguva ndokunyarara
havo vaiva vatozotaura vavakunzwa kupera simba, Chamu
ane muti waaiziva unorapa pamwe nekubvisa mazino
enyoka, akaraira Nyepudzai kuti atarise mbuya iye atsvage
muti waaida, akapinda paiva nekachikomo,ndokuita
mhanza akauwana, akatora dombo kwavakutswanya
tswanya aida muto wacho uyo waaida kusvinira parumwa
paye, akamhanyira kwaiva asiya Nyepu asi ave kusvika
pedyo hana yakarova kuona Nyepudzai woyeredza
misodzi mbuya vake vakaisa musoro pamakumbo ake.

"Nyepu"

"Chamu Ambuya vangu vashaya" Akanzwa kupindwa


nechando Chamu, akanombundira mudiwa wake
womunyaradza, vakaita nguva vakambundirana, Chamu
akazovhara maziso Ambuya Magaise, ndokunotema
mapango aida kuwana matakuriro aaizovaita kudzokera
kudunhu kwaChatikobo zvekare kuti vanoradzikwa
mumusha mavo, rwendo rwavo rwekuenda kwaMambo
Dzumbunu rwainge ratovhiringwa, akatema mapango
ndokuvararisa achibva avasunga nemakavi akaraira
Nyepudzai kuti abate kune rimwe divi vapinde munzira
kudzokera asi Nyepudzai akaramba kuti vaende
kwaChatikobo.
"Chamu Ambuya vasiya vati, mubako ratarara riya tinoisa
mutumbi wavo imomo tovhara nedombo vati tisadzokera
KwaChatikobo asi tipfurire nberi nerwendo kuenda
kwaMambo Dzumbunu"

Chamu haana kupokana nazvo vakafamba kudzokera


kubako riya ravainge vakarara manheru apfuura,
vakanopinda nemutumbi uya mukati ndokuurarisa
zvakanaka, vachibva vambotaura nevadzimu kuti
pasawanike zvinofemedza zvikadya mutumbi wambuya
vavo, vapedza vakatsvaga dombo ndokuzarira, vachibva
vatanga kufamba kuenda kwaDzumbunu.

Kumuzinda Chatikobo aive woita hasha mushure


mekunonoka kudzoka kwemachinda ake aainge atuma
kumba kunotora Mutenda nemhuri yake, vaiva vaenda
kunotora Mupamombe vainge vatouya kare, Mambo
vakasimuka vachikwamarara ndokutuma zvekare rimwe
jinda kunoona kuti chiyi chamisa Mutenda nemhuri yake
kuuya padare ravo, vachiri kupopota vakabva vaona
mudzimai waMutenda achisvika mumuzinda achichema,
izvi zvakavhundutsa vanhu vese, zvekuti vakafunga kuti
Ruramai hakuchina chete, Tasara akaita kukwakuka
senhoro achida kunzwisisa kuti chiyi chaitika, asi mai
vaRuramai vakatadza kupindura nekuchema
vakanopfugama pamberi paChitikobo uyo akavaraira kuti
vabve paari

"Muno mumuzinda hamusi mekuita dambiro renyu, iwe


nemurume wako makaratidza kuzviita vanhu vakachenjera
chaizvo, rega kundidonhedzera misodzi, iwe mwana
wembiti, ari kupi Mutenda"

Mambo vakasimudza musoro vachiona machinda avo


achiuya naRuramai uyo ainge ari pamatanda, aioneka kuti
ari kufema hake, mubvunzo wainge wave kumakurukota
ndewe kuti mudzimai uyu ari kuchemei, iye murwere ari
mupenyu kudai, machinda aMambo ndiwo akatozozivisa
Mambo shoko rekushaika kwaMutenda, Nyangwe hazvo
Mambo vainge vasina kufara nezvakaitwa nemhuri
yaMutenda asi shoko rekufa kwake rakashaya anovhika,
rakanovabaya pamoyo chaipo, vakambonyarara kwenguva,
ndokuzodzungudza musoro vachibva vatanga kutaura.
"Mutenda andirwadza sejinda rangu ndiye munhu akabva
kare ari pahutongi wemudunhu rino, asi ashaika panguva
yaaratidza kuva mutengesi iye nemhuri yake, ndoda kuti
makurukota angu mose munzwe Godobori uyu achitaura
zvose"

Magwaze Godobori anopihwa mukana wekutaura


anosimuka, wotanga kutsanangura chokwadi chese, kubva
zuva ravakanyepera Mambo, anodurawo chokwadi nefiro
yakaita Manyara achiti Ruramai ndiye akamupa mushonga
wekupfuhwira imba yeumambo, anopedzisa nekutaura
mashiripiti ose aitika kumba kwaMutenda izvo zvakaita
kuti azoshedzwa nerweseri kuti abatsire, anobvuma hake
nyaya yekuenda kuguva kunotsipika mweya wemufi,
anobva apfugama pamberi paMambo wouchira kukumbira
kuregererwa, Mambo vanoramba vakamutarisa voti

"Handizive kuti sei vari kumhepo vakandiraira kuti


ndipihwe gwara nemagororo akaita semi,munoziva here
kuti Godobori anonyepera Mambo ane murango wake,uye
akakudzai kuti Ngozi inopedzwa nekutsipika ndiani, ngozi
inoripwa, iwe Magwaze rapanura Mupamombe mose
ndinoda kukupai murango wakakwanira".

"Mupamombe naRuramai vanorapanurwa nekuripa ngozi


ya Manyara ndizvo zvakataurwa nemufi akati anoda
mombe zana, idzo dzichaendeswa kunambuya vake".

"Zvino iwe Magwaze, uchabvisawo mombe mose


naMupamombe mosanganisa nedza Mutenda, moripa, imi
machinda endai munotinha mombe dzose muuye nadzo
pano ndoda kudzipa mbuya vaRuramai nhasi, mufi
achashedzwa pano totaura naye woripiwa, asi mhuri
yaMutenda muchibva pano, mosunga zvinhu zvenyu
pamwe nemutumbi wenyu mobuda mudunhu rangu"

Hapana kana anoti bufu, machinda anongoti dzvamu


kunotinha mombe dzaMutenda idzo dzaiva dzasara
shoma hadzo, vanonotorawo dzaMupamombe, kumba
kwaMagwaze kwaiva kwaita kure, mombe dzose dzakauya,
ndokuverengwa dzaisasvika zana, makurukota aMambo
aiva nemombe zhinji vakanzwira mhuri iyi tsitsi
ndokubvisa dzimwe dzaiva dzasara, Magwaze akabva
ashedza mufi uyo akanotaura panamai vaRuramai,
akatanga nekumusuma uye kukumbira ruregereo pane
kutsipika kwose kwaaida kuita ndokuzotaura nhau
yekuripwa kwake, mombe dzainge dzakwana, mufi
akaraira kuti pamombe dzose patorwe tsiru nhema
iurairwe padare, ropa riyerere paakafira iye kana zvadaro
nyama yacho yorega kudyiwa kana nembwa zvayo asi
ifushirwe, kana vachinge vaita izvi, Godobori naRuramai
vanobva vanaka.

Zvaitaurwa zvose zvainge zviri munzeve kumunhu wese,


machinda akanotora tsiru ndokuuya nayo, vakaitemera
padare sekutaura kwaainge aiita ropa rikayerera rese
dzamara rapera, ndokuzotakura mutumbi wemombe
vonochera gomba hombe umo vakaikanda ndokufushira
vodzoka kudare zuva raiva rave kutoda kupinda munamai
varo pakapera kuitwa zvose izvi mbuya vaManyara
vakapihwa mukana wekutaura, vakataura misodzi iri
mokoto kuchema kuuraiwa kwakaita muzukuru wavo
vachiti mombe hadzimudzose kuvakafa asi vanotambira
havo kuripwa, vachipedza kutaura, varume vanouchira.

Nguva iyoyo Mupamombe anohetsura woita semunhu ari


kubva kuhope anotobvunza kuti chiyi achiona akasungwa
maoko nemakumbo asi Mambo vanomutaurira kuti
ranhasi rinofanira kunyura abuda mudunhu mavo, uyuwo
Ruramai anotanga kupukuta maziso semunhu ari
kuvaviwa wobva asvinura wotanga kuona, Tasara anofara
achinomumbundira izvi zvotoshamisa makurukota ose
pamwe naMambo avo vanoita kukwamarara

"Tasara, Tasara, kana uchirikuda zvemuno mumuzinda


kurumidza kusuduruka ipapo, Ruramai haachisiri
mudzimai wako, handiise muroyi mumusha mangwana
ndiwe uchauraiwa".

"Mukadzi wangu ndomuda ba,"

Asati apedza kutaura akapotswa nayo tsvimbo yemusoro


mukuru nababa vake achinomira kwakadaro uko Godobori
Magwaze ndiye akatozokumbira kuti Mambo vasarwa
naNevanji wavo achiti Tasara akadyiswa muti naRuramai,
akabva aisa muti mumvura ndokupa Tasara uyo
akamhaya kunochaya zvimwe achiita zvekurutsa,
paakapedza kurutsa, akatarisa Ruramai ndokumubvunza
kuti Shamwari yako Nyepudzai iri kupi, ndiye wandaida
kubva zuva rekutanga, Ruramai haana kupindura
akanopfugama akabata makumbo aTasara achichema asi
Tasara akamusairira, wofamba kuenda kugota kwake.
Makurukota akazokumbirira mudzimai waMutenda kuti
acheme murume wake wozobuda hake mudunhu kana
vaviga, Mambo vakazobvuma zvekunyara asi vaisatoda,
Mupamombe naMugwaze vakarairwa kuti varipe dare
kunyepa kwese kwavakamboita uye, nhasi vaifanira kurara
vabuda mudunhu. Tasara akadzoka padare achida kutuma
vanhu kunosheedza Nyepudzai, izvi zvakashamisa
Mambo vakambomuudza zvaNyepudzai akaramba asi apa
ainge wototi kuna baba vake makandisiya sei
ndichidanana nemuroyi uyu,achiti handina kumbobvira
ndakamuda Ruramai.

Kupetwa kwechitsauko

*NYEPUDZAI*

Rungano rwepasichigare na
Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185

*CHITSAUKO 15*

Tasara paakaudzwa zvekutiza mudunhu kwaNyepudzai


akatanga kupopota achishora machinda ababa vake kuti
vakamurega sei achitiza, akatanga kupika nemadzisekuru
ake achiti anomutsvaga chete kusvika amuwana, Ruramai
achinzwa kudai akati aikwetsura mhere, asi
akanyararidzwa naTasara achipotswa nembama achinzi
enda unochemera kunze kwemuzinda nyaya yacho
yakazopedzwa nemakurukota aive wotsiura Tasara kuti
asaita ruzha padare sezvo painge pachine hurongwa.
Mambo vakambosiya Tasara achipopotera Ruramai
ndokuzotanga kutaura vachipa mvumo makurukota avo
yekuenda kunhamo kwaMutenda kunobatsirana
nemudzimai wake, asi shoko ravo rekuti mhuri iyi ibude
mudunhu kana vachinge vapedza kuviga Mutenda harina
kuchinjwa.

Hwamanda yerufu yakaridzwa shoko rekufa kwaMutenda


rakafamba muvanhu nguva diki vamwe ndovaibvunzana
kuti afa nei munhu anga akasimba, vamwewo vainge
votaura kwavasina kuswera vachiti akanwa mushonga,
vanhu vaive votomhanyidzana kuenda kwaMutenda
kunobatsira mabasa aidiwa kuitwa,madzimai nevarume
vakaita semasvosve mushandira pamwe ,Mutenda
semunhu aiva hurudza zvokudya zvainge zviripo hazvo.
Mambokadzi ndivo vakatozosunungura moyo wavo
ndokubvisa mombe yavo iyo yaizouraiwa panhamo sezvo
dzaMutenda dzese dzainge dzaripa ngozi asi Chatikobo
ainge atoomesa moyo kuti hapana chinobva kumuzinda
kuenda kunhamo, akatozonyengetedzwa nezwi rakatetepa
remudzimai ndokuzobvuma hake.

Ruramai ainge atoita kutosimba chaiko nenguva diki


zvekuti vaiva vakamuona achirwara vakamuona nhasi
vanototi pashanda mashiripiti chaiwo,kana iye
akanyatsoona kushata kwengozi aiva akatoita rombo
rakanaka kusiiwa ari mupenyu asi aiva akaurayisa baba
vake nekubatabata kwake, ainge wochema mhere mbiri
yekufirwa nababa woti yekurambwa naTasara,
nemadadiro aaiita mudunhu achitsvinyira vamwe vezera
rake achitozviita Mambokadzi zvino ainge arambwa asati
amboigara imba yacho izvi ndozvainyanyisa kumurwadza.
Vanhu vari pakati pekuchema iye aitofunga mamwe
mazano ekuti adiwe naTasara zvekare, zvekumudyisa
zvainge zvafumurwa aifanira kutsvaga imwe nzira, asi aive
wotya zvekare kubata mishonga nhamo yaainge
akaoneswa nekubata mishonga yaiva yakamupa chidzidzo
chihombe muhupenyu.

Vanhu vemudunhu vakarara pamusha waMutenda


vachiimba, dzamara kwaedza vamwe vaive vatofara
nekufa kwake vaimuti aiva nehutsinye, kupfuura Mambo
Chatikobo chaivo , kuchena kwakaita kunze makurukota
akaenda kumuzinda wozeya naMambo vachida kunzwa
hurongwa hwaivapo kuti anovigirwa kupi, sezvo Chatikobo
ainge ane nzvimbo yaanoisa makurukota ake ose
akakosha, asi pana Mutenda akaramba kuti aende
panzvimbo yakakosha achiti aive asisina kuvimbika
kwandiri saka aizovigwa hake kwakavigwa dzinza rake.

Matateguru ake ainge akavigwa kune rimwe Ninga,


musango iri raizivikanwa zvekare nasahwira wavo
wemhuri ndiye akabva anogadzira pekuzoisa mutumbi,
gadziriro dzekuvigwa kwake dzakaitwa zvakanaka chaizvo,
vanhu vose vaiva vomirira hanzvadzi yake yekwaMambo
Matara kuti isvike, setsika hazvaiita kuti avigwe pasina
hama yake yeropa, hanzvadzi yake Mutenda yakazosvika
zuva rorova nhongonya ndokubva vangotanga basa
rekunomuradzika, hazvina kutora nguva zhinji,
pavakapedza vakabva vatonzi vapinde munzira vabude
mumuzinda, vanhu vakamboda kukumbira Mambo asi
pakashaya akanomira pamberi paChatikobo, Mudzimai
waMutenda akasunga nhava yake ndokupinda munzira
woenda nehanzvadzi yemurume wake pamwe naRuramai,
uyo akamboda kuenda nekumuzinda kuti zvimwe
anganzwirwa tsitsi naTasara asi akarambidzwa kuendako
namai vake, ndokubuda mudunhu maChatikobo vachisiya
musha wavo.

Chamu naNyepudzai vainge vakarara mune rimwe bako


zvekare, ndokuzomukira kufamba mangwanani , kudunhu
raMambo Dzumbunu vainge vasati vasvika kwainge kune
mufambo wakakura chaizvo,asi apa vakange vave pedyo
kusvika havo, munhu ainge avaraira ainge ati vakapedza
chisango chavari vanenge vatopinda mudunhu
raDzumbunu asi vaizofamba zvekare kuti vasvike kune
misha yevanhu, nzara ndiyo yaiva yavabaya, kunyaya
Chamu ainge wongoshinga semurume, michero yaive
ambowana munzira ainge apa Nyepudzai kuti adzore
nzara.
Vakazobuda musango ravaiva, ndokuona mbudzi
dzairatidza kuti dzine munhu wadzinadzo vakashedzera
vachida kubvunza asi hapana akadaira, vakaramba
vofamba zuva rikanyura vasati vasvika kune misha, vaiva
vaneta zvino ndokuzoona chiedza chemoto kumberi
kwavo vakaita simba rekufamba dzamara vave kunzwa
mazwi evanhu, vakaramba vachifamba ndokusvika
pamusha wekutanga apo vakanobvunza musha wavaida
asi vakaudzwa kuti vaende pane umwe musha
vanobvunza ipapo, vakaenda ndokusvikotambirwa
nevamwe mbuya, vakabvunza zvekare munhu wavaida asi
vakarairwa kuti anogara chinhambwe zvekare, vakapihwa
kudya ndokunzi varare vaizoperekedzwa mangwana
kumba kwaMagadu kwavaida kuenda. Sevanhu vaive
vakaneta vakapihwa kudya ndokurara havo,asi vose hope
hadzina kubata vachifunga mbuya vaiva vafira
munzira,hope dzakazongoita kuvabata ndokukotsira havo.

Zuva rakatevera racho vakamuka rungwanani,


ndokupihwa mahewu anodziya kuti vabate dumbu
sevanhu vaida kupfurira mberi nerwendo rwavo asi
kwaisava kure zvakanyanya kwaMagadu raiva dunhu
rimwe chete iroro asi aigara kune rimwe divi chete,
vakaperekedzwa neVazukuru vepamusha apa.
Vakanosvika paMagadu pacho pasina vanhu vakuru
sekuru Magadu vaiva vanzi vaenda kumuzinda kuchiti
mudzimai wavo aive aendesawo hari dzake pane umwe
musha, vakapihwa zvigaro nevana vaivapo ndokumirira
vakuru,sekuru Magadu ndivo vakazotanga kudzoka
vakasvika pamba paine vayeni vavo, vakakwazisana havo
pamwe nekubvunzana hupenyu, sezvo zviso zvavo pamwe
nemapfekero rudzi rwenhembe nemakanda uye zvuma
zvaitoratidza zvega kuti havasi vemudunhu mavo, nekuti
mapfekero aiitwa nevanhu vemaDzumbunu ainge
akasiyana nevamwe , vaMagadu vakamboramba
vakatarisa Nyepudzai naChamu vachida kuedza
kufananidza kana vainge vakamboona zviso zvavo asi
vakatadza kuziva ndokuzobvunza havo

"Mabva kupi vazukuru uye munoendepi, marasika here".

"Tabva kwaMambo Chatikobo, tiri kutsvaga vaMagadu


muzukuru waChidawa"

"Kwanaka here muri vana vani kwaChatikobo".

"Kutsvene tiri vazukuru vaMagaise, tarairwa nambuya vedu


kuti tisvikewo pano,tiri kutsvaga pokupotera".

Hamuna kurasika vazukuru ndini Magadu muzukuru


waChidawa, Magaise ndinomuziva takaura tese uye ini
ndaigara kwaChatikobo kare kare takazopesana pakaitika
imwe hondo yakaparadza vanhu vazhinji ini ndokutamira
kuno asi Magaise aiva tsika nditsikewo wangu pahujaya
hwedu, kunyange mudzimai wake ndini ndaifambisa
mashoko, ndanzwa muchiti muri kupotera chiyi chiri
kuitika kwaChatikobo uku, ko ivo mbuya Magaise vakadii
havo"

Mubvunzo uyu wakaita kuti Nyepudzai adonhedze misodzi,


ndokubatwa naChamu uyo akatanga nekutsanangura
matiziro avakaita kudunhu ravo pamwe nekuparara kwaiva
kwaita mbuya munzira vachiuya kwaDzumbunu, sekuru
Magaise vakabatikana chaizvo, vakaraira muzukuru wavo
kuti atevere mbuya vake vauye vabikire vaeni.

"Pamasvika pano pamba zvekare Sunungukai henyu,


muchagara pano sevazukuru vangu, ndafara kunzwa kuti
musikana wakaramba kumbunyikidzwa ukasarudza kutiza
nemukomana wako, wakaita zvakanaka, ndosaka
vakweguru vedu vakati moyo muti uye chida moyo hamba
yakada makwati, zvino Madzimambo aya anofunga kuti
munhukadzi wese anoda kumuzinda " Vakapedzisa havo
nekuseka,mbuya Magadu vakazosvika mushure
mechinguva vakafarawo kuzivana nevaeni vavo,
Nyepudzai akatanga kubatsirana navo mabasa epamba
uyuwo Chamu ainge wobatsira sekuru kuveza mupini
wegano ravo, waingonzwa kuseka vaiva vatowirirana
nenguva diki,vakaswera vachifara chaizvo ndokuratidzwa
imba yavo yavaizoshandisa sesikiro ravo.

KuDunhu raMambo Matara, Uko kwaiva kwakugara


Ruramai namai vake pamusha patete vake, Ruramai aive
wongogara akazvivharira mumba hake nguva zhinji aigara
achichema kuri kufunga Tasara, imwe pfungwa yaimubata
kuda kupoya wodzokera kwaChatikobo aisatogutsikana
kuti Tasara akatomuramba zvachose, shanje
dzaimubatawo zvine simba kunyanya aiti akafunga
mashoko akataurwa naTasara padare paye achibvunza
Nyepudzai aibva anzwa bundu chairo
pamoyo.Akashedzwa natete vake avo vaimenya nzungu
dzedovi,ndokubuda hake munhanga maaiva.

"eeh eeh mwana waMutenda usade kundiitira shura pano


hausi mwenga iwe, kurumidza kubatsirana nevamwe basa,
kuterera mitezo ndiwe wakaurayisa hanzvadzi yangu
nekuchenjeresa kwako, usati waenda kure ibva wagara
pasi ndikuudze nhau yandinayo pano handina kuzowana
mukana wekumbokurukura newe, zvawakaita
kwaChatikobo ubva wachera kakomba wopfira mate, usiye
tsika yekutsvaga rudo nemidzi, wakazosvika pakuuraisa
vanhu nazvo, kuno kwauri kuno ukadzikama hako
uchawana mukomana akatsiga, wowanikwawo mune
zvakanaka".

"Ndowanikwa kangani tete ndiri mukadzi waTasara".

"Ukati haushure here iwe, Tasara achamboda kukuona,


hatidi kunyadziswa isu, zvekwa Chatikobo ibva
watokanganwa hako".

"Kana muchindidzinga pano modzinga henyu


handingasiye Tasara achitora Nyepudzai kwete, hapana
kusiri kufa apa, Nyepu wacho haambokugara kumuzinda
ikoko"
Akataura achifamba kudzokera kunhanga akasvikovhara
gonhi, zvekuti tete namai vake vakasara vakangoti kanha
nazvo.
Kupetwa kwechitsauko

https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

NYEPUDZAI

Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964
Rayton Mafunda (Mhofu

+263777400185

*CHITSAUKO 16*

Mazuva akapindana masvondo maviri akapfuura, kubva,


kushaya kwa Mutenda, Mambo Chatikobo vainge
vakatosarudza Gundani kuti ave jinda guru,kutsiva
nzvimbo ye mushakabvu, asi mumuzinda mainge
musisina rugare na Tasara uyo ainetsa achida kuziva
kwakaenda Nyepudzai, ainge azama kutuma machinda
ababa vake munzvimbo dziripedyo kunomutsvaga asi
hapana chakabuda, makurukota akambozama kugara
naye pasi vachimuudza kuti asiyane nekutsvaga
Nyepudzai sezvo akatiza na Chamu kare zvaiva pachena
kuti vaviri ava vavakutogara semudzimai nemurume asi
iye akaramba akaomesa gotsi achiti kwete Chamu
anozviziva kuti ndakasarudza Nyepudzai zuva rekutanga
chairo Ruramai akazongouya hake kwaari asi ainge
ashedza Nyepu, Tasara akati aizoripa hake Chamu
wowana kutora Nyepu asi kana Chamu asingade muripo,
aizomutora nepfumo asingade achida ,baba vake
vakabvumirana nekutaura kwake vachiti Nyepudzai ndiye
mudzimai anokodzera kuita Mwenga wavo asi mai vake
Tasara Mambokadzi ndivo vega vaisada kunzwa nezva
Nyepudzai kurikunyara nemabatiro avakambomuita paye,
vaitopikawo nevavo vadzinu kuti Nyepudzai hazombofa
akagara mumuzinda mavo,ukuwo Mambo vachiti
Nyepudzai arikutozouya mumuzinda.

Mukufamba nemukubvunza umu Tasara akanzwa


runyerekupe kuti ku Dunhu ra Mambo Muswe ndiko
kwakaenda Nyepudzai, haana kuda kuramba wotumira
machinda ababa vake, pfungwa dzake aitoti pamwe
havasi kusvika akavatuma, akakumbira baba vake, kuti
vamupe machinda aizomuperekedza kunotora Nyepudzai,
akapihwa machinda aaida ndokuronga kumukira zuva
raitevera racho ,kwavaizoenda kwaiva kure asi ndiro
dunhu rawaipfuura naro uchienda kwa Mambo Dzumbunu
uko kwaiva kwava kugara Nyepudzai na Chamu.

Tasara zuva iri haana kunyatsorara achingopepuka achitya


kurarisa, akatobatwa nadzo kwava kutochena
ndokutozomutswa na Ruzivo uyo aiva umwe
wevaizomuperekedza vainge vatouya kunomumutsa,
akaita kuvhunduka, achiridza tsamwa aiva avhiringwa
kurota hake sezvo ainge aripakati pechiroto. Akamuka
ndokusimira achibva atora uta nemuseve pamwe
nebakatwa ndokupedzisa ne nhava yake ndokubuda,
Ruzivo akabva atakura nhava yaiva nembuva, mumuzinda
vanhu vose vainge vachakarara havana kuda kumutsa
vanhu havo, vakanomira pasuwo remuzinda vomirira
mamwe machinda maviri avsaienda nawo ainge anonoka
kusvika , vakamira kwenguva diki ndokubva vasvika,
vakabatana havo vopinda munzira kuenda.

Vakafamba chaizvo vaida kuti kuzonyatsochena vatobuda


mudunhu ravo, ndizvo chaizvo zvavakaita, kuchichena
vainge vatoyambuka rwizi rwaiganhura dunhu ravo, Tasara
akambomira pa rwizi apa wogeza hake kumeso, ndokubva
vasimudzira vakafamba nemusango raityisa kwazvo vese
vaisaziva kudunhu ravaienda vainge vakangoita kunzwa
mafambiro, dambudziko raivapo kudunhu kwavo kwainge
kusina Godobori aifanira kuronda nzira wovaudza
mafambiro, vakaramba vachifamba nemusango vachiti
vachawanawo panemusha kana kusangana nevavhimi
vazobvunza, asi zuva rakasvika pakurova pachipande
vasina kana musha nyangwe muvhimi wavainge vaona,
machinda ainge aneta zvino asi Tasara neshungu aikanda
tsoka hapana akakwanisa kuzorora iye asati ada kuzorora,
dzamara vatoozona shato yaipfuura hayo nenzira
ndokumira kwavaiita, vachimira kuti ipfuure, Ruzivo akatya
sezvo ainge wkamboudzwa kuti mukaona nyoka
parwendo kwamunenge muchienda kunodaro kusina
kururama.

"Tasara, nyoka haina kunaka zvachose kuona parwendo,


kutsvene here kwatirikuenda, tirikufambra pasi,, "

Tasara akatarisa Ruzivo ndokuti


"Asi inyoka yambuya vako here iyi, tirikufamba muhozi
here kana kuti tirimusango, munowanikwei musango hee?"
"Ndinehurombo Tasara, papotseka, yapfuura handei
zvedu".

Vakatangazve kufamba hapana ainge wotaura neumwe ne


kuneta, zuva rakazorereka ndokuyambuka rimwe rwizi
vose vakava nechichivimbo kuti vavakuzosvika kudunhu
ravaida nokukasika, vakambozorora havo ndokumbodya
mbuva vachibva vazopfuurira, vakazotanga kunzwa
mombe kukuma vachiri chinhambwe ndokuziva kuti
vavakusvika kune misha apa zuva rainge ratonyura,
vakarambaa vofamba dzamara vakuona moto, Tasara
akaita seachabata denga nemufaro.

Vakanosvika pamusha wekutanga apo vanotambirwa,


pamwe nekubvunzwa kuti vabvepi uye vanoendepi, Tasara
akazvizivisa sa Nevanji, pamusha pavainge vasvikira
vakabva vati vanofanira kuenda navo kumba kwe
Jindaguru ra Mambo wedunhu ravo, uko vakaendeswa
ndokunotaura nyaya yake, jinda riye rakabva rati nyaya
yenyu inoda kwa Mambo, vakaendwa navo kumuzinda
kwa Mambo Gapara, vakanotambirwa zvakanaka, nyaya
yavo ikaziviswa kuti varikutsvaga murandasikana akatizwa
naye.
Mambo Gapara vachinzwa kutsanangura kwa Tasara uyo
akanyepa hake kuti aidanana na Nyepudzai asi Chamu
akatiza naye, vakamboramba va nyerere kuita sokunge
vabatwa nechadzimira ndokuzokosora zvishoma
vachipfira gararwa pasi ndokufushira vachibva vatanga
kutaura

"Iri munzeve nhau yako Chatikobo ndakushedza


neruremekedzo sezvo wati uri Nevanji uye mapfekero
anodudza oga, ndinokwanisa kukubatsira kuti muwane
musikana wako akatiza nemuranda, muno mudunhu
mangu munevanhu vazhinji vandisingazive zvandichaita
mangwana , ndichataurira Jinda rangu kuti vashedzere
dare, vasikana vose vauye padare, wobva wanongedza,
musikana wako wauri kutsvaga".

Tasara akasekerera achinzwa kutaura kwa Mambo Gapara,


akatononokerwa nekuchena kwekunze, vakapihwa
zvokudya pamwe nepokurara ndokuzororadza muviri havo
vomirira.
Zuva ramangwana,Kunze kwakazosara kwochema
Tasara atomuka kare aiva agara wongomirraa munzwa
vanhu kutaura panze kuti azobudawo, semunhu aiva
mueni zvaisaita kuti angobuda panze rungwanani aisaziva
mitemo yemuzinda uyu, vakazonzwa kugogodza pa gonhi
ravo, pakapinda umwe mukomana we chidiki achiti
atumwa neshoko kuti vauye padare, vakabva vabuda
vakatungamidzana naye voenda padare apo painge
pagere makurukota naMambo, vakasviko mutsa vakuru
vaiva padare ndokugara havo vomirira kunzwa hurongwa
hwaivapo. Jinda ra Mambo rakaraira kuti paridzwe
hwamanda yekukokorodza vanasikana vese kana
madzimai echidiki hapana aifanira kusara mudzimba
aizosara aizorangwa zvakaomrara izvo vainge vazviitira
kuti pashaye anohwanda panobuda vamwe.
Mushure mechinguva paruvare rwaiva kunze
kwemuzinda yaiitirwa dare na Mambo painge patozara
mhandara vomirira kunzwa zvainge vashedzerwa,Mambo
pamwe na Tasara ndivo vakazopedzisira kusvika
panzvimbo apa, vachigara pasi Jinda ra Mambo rakaraira
kuti munhu wese asimudze musoro atarise mberi, rakabva
raraira Tasara nemachinda ake kuti vafambe pakati
pevasikana vachitarisa kana vanga kwanise kuona
Nyepudzai waivaida asi havana kumuona.
Mambo vakati vadzokorodze zvekare asi vakamushaiwa,
Tasara aive wooneka chiso kupusa zvino.Mambo Gapara
vachiona kusafara kwake vakazama kutyisidzira
vanasikana kuti vadure kana pane umwe wavasiri kuona
padare asi achigara mudunhu mavo asi hapana,
vakazongoudza Tasara chokwadi kuti munhu wauri kuda
haamo mudunhu mangu, vanasikana vakazonzi vaende
havo kumba.

Tasara aona zvino kuti ashaiwa, akafunga kupfurira mberi


kunerimwe dunhu, zvekare akabvunza Mambo

" Changamire ndinotenda nerudo rwenyu, rwamaita


nyangwe hazvo ndashaiwa Nyepudzai asi zvamaita
zvakandikoshera, ndinovimba Nyepudzai akapfuura
kuenda kudunhu ririmberi, ndinoda kusimudzira nerwendo,
pane dunhu iripedyo nemi here ndisvikeko zvichida
ndokwaari"

" Tasara ndinokutora semwana, ndafarirawo moyo


waunawo wekutsvga mudiwa wako, varikumhepo
vachakusanganisai, asi nyaya ya wataura yekupfuura
dunhu rino, uchienda mberi handifunge kuti Nyepudzai
akauya divi rino nekuti havangapfuure pano voenda kwa
Mambo Dzumbunu, kunorura mapere vakasvika
varivapenyu, zvichida vakatora rimwe divi, iwe wozvoita
wodzokera kumuzinda kwa baba vako, uchiri mupenyu
nekuti dunhu ririmberi kwangu ndi Dzumbunu asi
hakusvikike nhando ini ndinototya kuendako nzira yacho
iripakati pesango rinezvikara, kutaura kuno ndakadyirwa
nhume dzangu shanu, dzakatsakatika na nhasi handizive
varipi".

Mambo vakapedzisa kutaura vopukuta ziso ravo rimwe


raiva roita sokunge robuda misodzi, nyaya ye nhume
dzavo yaivarwadza, zvainge zvakaitika makore
anoraudzira akapfuura asi pose pavaizvitaura zvaiva
rwadza. Tasara achinzwa zvose izvi haana kana kutya
chaaida iye chete kuona Nyepudzai akatoti ndoenda
ndiudzei mafambiro, izvi zvakatyisa Mambo Gapara avo
vakatanga kumutsanangurira mafambiro asi machinda
ake Tasara ana Ruzivo vakaramba kupfurira mberi kuenda
kwa Dzumbunu vachiti havadi kuzviisa mukamwa
mengwena vakatarisa sezvo vapihwa yambiro na Mambo
Gapara. Tasara akamboda kuita hasha asi vakamurambira
iye ndokuzobvuma kudzokera kumba asi asati asimuka
akakumbira kuona Godobori wa Gapara aida kuronderwa
nzira inomusvitsa kuna Nyepu, Mambo akabvuma
ndokutuma jinda kunoshedza Godobori wake
Mavhunanyanga uyo akauya nekuchimbidza aigara
mumuzinda imomo asi imba yake yaiva nechekumucheto,
akasvikopirwa nyaya yaivapo, akadzokera kumba kwake
akanotora nhava yake yaiva nehakata dzake,akawaridza
dehwe ndokuraira Tasara kuti agare,akatanga nekuimba
hake ndokudzungudza musoro achibva atanga kutaura.

"Tasara Nevanji wa Chatikobo, Mambo achatonga


netsvimbo, ndaona watambidzwa tsvimbo nababa vako
hazvina mwaka, dunhu rako richafadzwa nehutongi hwako,
asi mudzimai wako achava nemoyo wakaipisisa"

Tasara akatadza kunzwisisa kuti zvaave kuudzwa izvo


zvinopindirana papi na Nyepudzai, akatoona kuti Godobori
ava hapana chavanoziva havo akabva atofunga ana
Mupamombe vekumbonyepera baba vake, akasara padiki
kusimuka, akazongozvidzora paakanzwa Godobori
vodzvova zvaityisa vachimunongedzera akaramba
akagara, woona hakata dzichikandwa dzakadzokorodzwa
katatu dzese dzichienda divi rimwe.
Godobori vanotarisa Tasara ndokumupa kamuti kadiki
kavakatora munhava vachibva vamuti akatyore asi
akatadza zvakatoshakisa vanhu vese kaiva kadiki zvekuti
kana chindumurwa chaikwanisa kukatyora paakatadza,
Godobori vakatanga kutaura
"Inzwa mwana wa Chatikobo muzukuru wa Gumbodete,
nyaya yandakuudza yekugara huMambo ndiyo yakanyorwa
pazita rako nevari kuuzuru, iyo ye musikana wauri
kutsvaga uchiti ndewako handina kuona chiri chokwadi ini,
hakata dzangu ndinopisa kana dzanyepa, waimbomuda
hako asi wakarega achitsvedza, wakapedzera urimbo
kumakunguwo muzukuru, uchazomuona hako Nyepudzai
wauri kushaira hope asi parizvino kangamwa, enda kumba
ndaona kwasarudzwa Godobori mutsva nemasvikiro
edunhu rako, ndiye achapedzisa matare andiri kuronda
pano, ndiye wauchataurira hope dzawakarota zuva
rawasimuka kubva kudunhu rako".

Kupetwa kwechitsauko

https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

*NYEPUDZAI*
Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964

Rayton Mafunda (MHOFELLA)

+263777400185
*CHITSAUKO 17*

Tasara akashaya kana chekupindura, ichokwadi aive


akanyepera Mambo Gapara nezvekufambidzana kwake
naNyepudzai asi Mambo Gapara vakatoseka havo,
semunhu mukuru vaiziva tsoro dzinoitwa nevakomana,
vakamuraira kuti aite zvataurwa naGodobori wavo sezvo
aisatamba nekushopera, akabvumirana nezvainge
zvataurwa vakarongedzerwa chimukuyu chenyama
yemhuka pamwe nemutetenherwa, ndokupinda munzira
vodzokera kudunhu kwavo.

Kumuzinda waChatikobo, Mambo vainge vagere


nemudzimai wavo pamumvuri zuva rechirimo raiva ropisa
iyo mvura yainge yanonoka kuturuka, Mambo vakayeva
mudzimai wavo neziso repadivi ndokuona kuti ane zviri
kumunetsa vakabvunza nezwi rakadzikama
"Hosi yangu, chiyi chiri kukushaisa mufaro, taura neni
mudzimai wangu wehujaya usanetseka ndiripo pedyo
kudai, kwawakabva neni ndiko kure, tarira tatochembera
sekutamba ka" vakaseka havo zvishoma vachiedza kuti
mudzimai wavo asunungure pfimbi yemashoko yaaida
kuvharira mumoyo make. Ivo Mambokadzi
vakamboramba vakanyarara sevarikufunga
ndokuzoombera voti

"Hapana zvizhinji Shewe, kungoti hope dzandava


nemazuva maviri ndichirota hadzisi kundiitira zvakanaka,
ndiri kurota, nhumba yenyu ichipfuta moto".

"Moto!", uchibvepi, uri kufunga Tasara ka unoti chiyi


chinomuwana anodzoka usamutyira ave jaya, dai pasina
nzenza yaMutenda iya tingadai takutotarisira muzukuru ka
iye zvino saka haasisiri pwere kwete, anodzoka hake "

" Shewe kuti ndiyo dudziro yehope yacho here, manga


madi,, ".

" Uri kuda imwe dudziro yei iwewe, asi uri kuronga
kundipisira mumba kani, ndikusasike nepfumo iri, kana
usina nyaya enda unogadza rupiza kwete kundinyangadza
pano ahii, madzimai hamudi kubuditsirwa meno munobva
mada kupinda nawo mwenje mudziva"

"Ngaisiye matambo shewe, kupotsa kutaura


mondiregerera, regai ndinokutsvagira chokudzora nzara"
Mambokadzi vanosimuka havo voenda kuimba yavo
yokubikira vachingotaura vega havo neshungu vainge
vanyaradzwa vasina kutaura mafungiro avo asi hope idzi
dzaiva tyisa, zvekuti dai mudunhu mavo maiva naGodobori
vakanobvunzira kare asi mainge musina svikiro raiva
rakati richadoma rega, vakagadzirira Mambo mbwire
mbwire ndokuendesa padare.

Mambo vachiona mudzimai achiuya nembwire mbwire


vakasekerera vaitetawo nzara,vakadya havo vapedza
vakanwa mukombe wemvura ndokutora mutsago wavo
ndokuzendama havo, vakarara kwenguva vakazomuka
vachivhumuka vakatanga kudaira vaiita sokunge
vashedzwa zvekuti vabatsiri vemumuzinda vaiva padyo
vakambotarisana. Mambo vakabva vadzungudza musoro
ndokugara vaiva vaona munhu achisvika pavari
akavazunguza kuti vamuke achivashedza zita ravo asi
vainge vamuka vachiona pasina munhu, vakazongotiwo
pamwe ihope dzekurara rakacheka nyika, Jinda ravo
rakabva rasvika ndokutanga kutandara havo asi pfungwa
dzavo dzaitoshusikana nehope dzavo.

Vakazosimuka padare pavo zuva roda kupinda munamai


varo, Jinda ravo rainge rave kuenda kunozarira mombe ivo
ndokusimuka voenda kunhumba kwavo vaizouya padare
kuzotandara kana makurukota avo auya
manheru,vakanopinda munhumba mavo ndokuvhara gonhi,
pakarepo rakabva ravhurwa izvi zvakavanetsa asi
vakatongoti pamwe imhepo, vakatora pfumo ravo
ndokutsigira gonhi vachibva vazendama havo, hope
hadzinawo zera dzakabva dzavatora ndokurara, vakatanga
kurota muzinda wose uchipfuta moto, ndokuzoita
kuvhunduka vachiona moto uya wabatira nhembe yavo,
vakabva vapepuka ndokugara asi hana yairova
zvakanyanyisa, hope dzemoto idzi dzakavatyisa asi
vakabva varangarira hope dzemudzimai wavo dzemoto,
vakabata rushaya voshaya zvekuita, wekutaurira painge
pasina, mudzimai wavo vaitonyara kumuudza nekumutuka
kwavainge vambomuita, vakatanga kutaura vega
vachibvunza dudziro kumatateguru avo, semunhu aiva
asati apihwa Godobori, vakafunga kumukira kuNinga ravo
mangwana uku ndiko kwaiva nemasvikiro uye matateguru
avo, raiva Ninga rekuti ukarara imomo unoroteswa
zvakavanzika.
Mambo vakambobuda munhumba mavo voenda padare
asi hapana wavakaturira hope dzavo.

Tasara nevamwe vake vakazosvibirwa nekunze vafamba


chinhambwe chirefu, vakazofunga kurara mubako sezvo
kwainge kochema mapere, vaizomukira mambakwedza
voyambuka rwizi kupinda mudunhu mavo,bako
ravakawana rainge rakazarirwa nezidombo vakaedza
kuribvisa vari vatatu asi vakatadza, bako iri ndoriye rainge
rakavigirwa mbuya vaNyepudzai dombo raiva rakaiswa
nevanhu vaviri rakatadziwa nevanhu vatatu,vakapedzisira
vofunga zvekurara mumuti, vakazvisunga ndokurara, asi
Tasara haana kukotsira achiedza kufunga mashoko
aGodobori aye, ekuti achanogara huMambo, chaimunetsa
kuti anougara sei, iye asati aroora uye baba vake vachiri
vakagwinya havambomupa chigaro, chimwezve
chaimunetsa, i hope dziya dzaainge akarota idzo dzaaive
anzi anozivisa Godobori mutsva kudunhu kwavo, aiva
akarota akabata mwana mukomana achiitwa makorokoto
nevakweguru, izvi zvakatomunetsa aiedza kududzira hope
ega dzamara azongorara hake.
Vakazomuka runyanhiriri ndokuenderera mberi nerwendo,
vakayambuya rwizi vopinda mudunhu mavo, kunze
kwainge kusati kwachena, vakazosvika kumuzinda
kwavakuoneka, vakatambirwa nevarindi vemuzinda
ndokuendwa navo padare apo pakabva paveswa moto
shoko rakanosvitswa kunaMambo kuti Tasara ainge
adzoka.
Vanhu vose mumuzinda vakamuka mushure mekunzwa
kuti Tasara adzoka, vakauya pamoto padare
vachidakunzwa nhoroondo yemafambiro aakaita, Mambo
vakatanga vambombundirana naye vachikwazisana
ndokugara votsanangurirwa mafambiro ose uye kurara
kwavakaita kwaMambo Gapara, asi haana hake kuzotaura
kushopera kwakaitwa.

"Chirega kuzvidya moyo Tasara, wanga wada Nyepudzai


asi vadzimu vakakunyepudza sezita rake, zvowoita iwe
wochisarudza mhandara yaunoda muno mudunhu, tora
nguva yako ukawana wawada woroora iyeye"
Tasara akabvumirana nemashoko ababa vake sezvo
Godobori waGapara ainge akamuudza chokwadi
nezvaNyepudzai kuti havasi kuzosangana iye zvino asi
vaizosanga havo, imwe pfungwa yaida kumuti amirire
ipapo pavachasangana asi akapedzisira arasa pfungwa iyi,
semunhu aiva arara mumuti akati akuda kunorara hake
kugota kwake, asi baba vake vakakumbira kutaura naye
pavo vega asati arara, vakamutsanangurira hope dzavo
ndokuti vaida kuenda kuNinga vanobvunzira uku
vaizoenda vese, Tasara haana kuramba hake asi akati aida
kuzorora vozosimudzira kuenda, akaenda kugota kwake,
Mambo ndokubva vasara padare pavo.

Akarara hake kwechinguva paakamuka akapihwa kudya,


ndokubva agadzirira kupinda munzira nababa vake
kuenda kuNinga rematateguru avo iro ravaishanyira kana
pane zvavari kuda kutaura kana kubvunzira, patsika yavo
kwaisaendwa usina Godobori asi apa vaizoenda havo vega
nejinda ravo guru, vakabuda mumuzinda ndokutora nzira
yainanga kuNinga, vari munzira yaivasvitsa kuNinga
vakabva vasangana naJekesai, vakwazisana asi haana
kubuda munzira akakotamisa huso pamberi paMambo
achida kubata tsoka dzavo asi akasairirwa kure naGundani
achinowira pasi.
"Jekesai ziva kwekutambira nhaika ndinokutumbura
izvezvi kurumidza kusimuka uende" Akataura achikwidza
izwi Gundani aifunga kuti Jekesai ari kuita zvedambe
naMambo kusaziva kuti ndiye Godobori mutsva ainge
asarudzwa.
"Ndingataure nemi Changamire, ndine mashoko
mashoma andinoda kukuzivisai, asiri kubva kwandiri asi
kumatateguru enyu, musaenda kwamuri kuenda asi
munotanga machenura muzinda wenyu magadzirisa
zvamusina kugadzira "

Mambo vakatarisana naGundani vachibva vaseka havo,


Jekesai kaiva kakomana kasina kana nyama uye mwedzi
yake yekuzvarwa yaiva isina kukwana ainge ari
gavamwedzi vazhinji vaimuseka nekumunyomba nekuda
kwechimiro chake, waingomuziva nemusoro waiva
wakakura kupinda muviri, itwo twumaoko waiti zvimwe
rutsanga. Mambo vakagegedza zvekare ndokumubata
mutsipa
"Chikoma pfuura uende kwauri kuenda handidi
kutambisirwa nguva nepwere"
Vakatanga kufamba asi Tasara akamboramba akamira
pfungwa dzake akafunga mashoko ekwaGapara aye kuti
Godobori akasarudzwa ariko, akatarisa Jekesai, zvakabva
zvamurambira kuti angava Godobori waMambo, akatanga
kufamba woteverawo baba vake,vave kusvika pedyo
neNinga vakabva vabatwa nechadzimira vese ndokurasika
nzira, vakatanga kutenderera, ndokuzoona vava munyasi
merukova rwaiganhura dunhu ravo vakashaya kuti
vafamba sei vakambogara pasi vakuzorora Tasara
akatanga kuvaudza kuti vainge vaita zvakaipa kushora
Jekesai asi Mambo vakamuti kana usina nyaya nyarara.
Vachakagara kudaro Mambo vakasimuka vachida
kunorasara dope kana kuzvibatsira vakapota seri
pechidobo chaiva pedyo,varipo vakanzwa kazwi katete
nechekunerimwe divi mukuru akatarisa wanike
tsvarakadenga yemwananasikana vakada kushedza
Tasara asi vakabva vati vataure nemusikana voenda naye
kuna Nevanji wavo, vakafamba kuenda paaiva
vakamukwazisa haana kupindura akangonyemwerera
chete, vakuda kumubvunza zita vakarohwa nehana chiso
chachinja kuita Manyara, vakapunzika nekutya voshedzera
Tasara.
Gundani naTasara vachinzwa izwi raMambo vakamhanya
vakatobata mapfumo vaiti pamwe vavhiringwa nezvikara
asi vakasvikowana Mambo vari vega vachingonongedzera
kune rimwe divi asi kwainge kusina chinhu, vakada
kubvunza kuti chii maita sei, asi izwi raMambo rainge
risisabude zvachose waingoona kushama muromo chete
kuratidza kuti varikuda kutaura , vaviri vakatadza kuziva
kuti chiyi vakasimudza Mambo avo vainge vatotonhora
makumbo mutezo yainge isisashande zvachose,
vakatema matanda ndokuvatakura voenda navo
kumuzinda uko vakanosvikawo vanhu vakaungana padare
vachiti Mambokadzi vangodonha havasi kana kutaurawo.

Mambo vakaiswa pedyo nemudzimai wavo, ichi chakaita


chishamiso hapana aiziva chikonzero, Tasara ndiye
aingozama kufunga mashoko ainge ataurwa naJekesai
paati "
Endai munotanga machenura muzinda wenyu mogadzirisa
zvamusina kugadzira " mashoko aya akatadza
kumanzwisisa aitoda kubvunza baba vake, kana pane
zvavakasara vakaita asipo zvino vaisataura, akatuma
vanhu kunotsvaga Jekesai auye avabatsire asi akabva
aramba hake.
Kupetwa kwechitsauko

https://chat.whatsapp.com/CKxPKfShe0zAYSnuttEroV

NYEPUDZAI

Rungano rwepasichigare na

Leonard Kandiero (King Lenso)

+263 77 729 8314


+27657333964
Rayton Mafunda (Mhofu

+263777400185

CHITSAUKO 18

Tasara paakanzwa shoko rokuti Jekesai aramba kuuya


kumuzinda , akabuda ega womhanya kunotaura naye,
akaenda achiita hushamwari ne mhepo, akanosvika
kumba kwa Jekesai akasangana naye achitobudawo
ruvanze kuenda hake kunotarisa misungo yake, Tasara
akakumbira Jekesai kuti asvike kumuzinda achiti vabereki
vake havasi kugona kana kutaura, akaita kupfugama
chaiko, asi Jekesai akapindura zvake asiri kuvhunduka
kana kushamisika.
"Tasara handina chandinokwanisa kuita, baba vako ne
Jinda ravo Gundani vandizvidza, ndavapa yambiro
vakasaterera"

"Jekesai, kana wakasarudzwa neSvikiro ra Chatikobo


unofanira kuenda neni kumuzinda iye zvino, tozotaura
dzimwe nyaya kana vabereki vangu vaita zvakanaka,
ngatimhanyei izvozvi ndasiya zvisina kumira zvakanaka,
hameno tikawana vari vapenyu"

Tasara anotaura achidonhedza misodzi, Jekesai


anonzwisisa anomhanyira mumba make wobuda ne nhava
yake vobva vatungamidzana vomhanyira kumuzinda vese,
asi vanoti vachisvika pedyo nemuzinda vanonzwa mhere
yakavavhundutsa, vanopinda vese vaine pfungwa yokuti
pane a shaika chete asi vanoshama kuona Mambo
vazvibaya vega nebakatwa ravo, Jekesai anoraira kuti
vanhu vose vabve padare pasare vehukama
chete,anotanga nekuedza kumisa ropa raibuda, aona kuti
ramira anoisa umwe mushonga mumbiya wovanwisa,
anopedza zvose, anobva atanga kutaura navo.

"Chatikobo ndigashire zvako nemaoko maviri ndini


Jekesai wamunoziva, wamunoti gavamwedzi
mazvimbirwa nenyemba, asi mashoko andinouya nawo
kwauri haabve munerangu dehenya raunogaro shoropodza
iri, asi arikubva ku neSvikiro guru reuno muzinda,
Chatikobo hauna kuroiwa kwete asi ingozi iyi yausina
kupedza ndiyo yakukupfukira, wakasvibisa dare rako
nekudeura ropa remunhu asina mhaka,kuita seuri kuuraya
mbudzi ndiyo mhosva yako chete, iwe ne mudzimai wako"

Tasara anotadza kunzwisaa nezve ngozi iyi kuti yava ipi


uye yakaitika rinhi sezvo ya Manyara akaripwa pachena
zvino zivikanwa nemunhu wese anoombera wotanga
kubvunza

"Sekuru ini sa Tasara Chatikobo ndarasika zvishoma


pane imwe ngozi here isiri ye kwa Mutenda iyo yakaripwa
zvikapfuura, uye iyoyo haisi yedu isusu, inofanira kubata
vana vaMutenda, hamusi maronda isiriyo here apa ndoda
kuziva muroyi akuda kuuraya vabereki vangu"
"Kutaura kwako kwakajeka chaizvo asi mubvunzo wangu
unoti ndiani akabaya Manyara nepfumo ndi baba vako ka
ava, ivo ndivo vakauraya Manyara, vakatora ngozi iyo
yavasina kuripa, pano pakaripwa ngozi yekwa Mutenda
chete uye haina kuitwa nemazvo, mweya uyu
wakambunyikidzwa ukatsipikwa kuti utambire mombe
dzekuripwa hazvina kuitwa nemazvo, Magwaze
akashandisa huchenjeri kuti apukunyuke panhau yaainge
apinda, zvino Manyara auya nehukasha, Mambo vane
mazuva vachiona Manyara vasingataure, kuvabvunza
ipapa vanotomborohwa, apa vasarudza kuzvibaya kuti
vapfuure vazorore havo asi hazvina zvazvinobatsira pasina
kuripa ngozi yacho".

"Saka ndoita sei kuripa ngozi iyi, vabereki vangu vararame".

"Ndinehurombo muzukuru, vanondituma vanoti


ndisairova ndakaviga mupinyi kwete, kana kuda kukufadza,
iyi ngozi yakanonokerwa, inogona bedzi kudziviririka
kwamuri imi vana ne vazukuru va Chatikobo ndokunge
maiita nemazvo pakuripa kwacho,iyi inova dzidziso kwauri
usazodeura ropa nhando padare, uchiwandirwa nemeno
evanhu".
"Ndiudzei zvinoda kuitwa sekuru" anotaura nezwi
roratidza kupererwa, anotarisa baba vake vachitandadza
"Kuripa ngozi chete ndiwo mushonga, kutanga wanogara
pasi nehama dzaManyara, handigone kukudza zvinodiwa
pakuripa ngozi, kana uchinge wagara pasi nehama
dzemufi, mozosuma svikiro rokubatsira kuita zvinhu
nemazvo, kwete zvamakaitirwa pano na Magwaze"

Nguva iyoyo Mambo Chatikobo vanodhonza mweya


ndiye sarai, Tasara anoimbongomora sechindumurwa
akabata baba vake, Jekesai anotuma rimwe jinda
kunoshedza Gundani uyo ainge abuda kuenda kumba,
mushure mechinguva anouya nemamwe makurukota
maviri echikuru avo vanozovhara maziso a Changamire
pamwe nekuvapeta vovatakura kuvaisa mumusasa waiva
padare, Gundani anoshedza vabatsiri vose vaiva
mumuzinda wotaura navo achivanyepera

"Hurwere hwa Changamire hwakomba,tichavatakura


toenda navo kumusasa kunze kwemusha uko
vachanorapwa na Godobori kana vachinge vanaya
munovaona vachidzoka, asi chandinoda kutaura, muno
mumuzinda hatidi munhu akarebesa muromo anotaura
kwaasina kuswera, hapana chinofanira kupinda mudunhu
pane zvose zvaitika nhasi, Mambokadzi vacharapwa
varimuno mumuzinda ".

Vabatsiri vose vanobvumirana nekutaura uku sevanhu


vainge vakuzivawo uye mhere yaTasara yavainge vanzwa
yairatidza kuti pane zvaitika zvinopfuura hurwere, vazhinji
vaitoziva kuti Changamire vashaika.
Shoko rakatumirwa ku makurukota ose, vachinzi vauye ku
dare paida kuitwa hurongwa hwekuzonoradzika Mambo
kuNinga rematateguru avo, izvi zvaizoitwa pasina kana
munhu umwechete wemudunhu mavo anozviona, vanhu
vaizofanira kuziviswa mushure me svondo, mutumbi wa
Mambo waputika.

Mumuzinda makaswera muine runyararo, maitoratidza


mega kuti munemariro, Mambokadzi vainge vazorariswa
kusikiro ravo vainge vatoomamutezo vasisakwanise
kufamba pamwe nekutaura, marwariro ainge akamboita
Ruramai chaiwo ndiwo avainge vaita.
Jekesai akaraira makurukota kuti agadzirire zvinoda
kugadzirwa sezvo zuva richinyura vaizotakura mutumbi
wa Chatikobo vonourongedza ku Ninga ndiye
aizotungamira achiudzwa zvekuita nematateguru a
Chatikobo.
Makurukota akagadzira zvose zvaidiwa matanda
avaizoshandisa kutakurisa Mambo wavo pamwe nezvinhu
zvavaizivigwa nazvo sa Mambo, vane machira aikosha
pamwe nechuma chavakapfekedzwa izvi ndozvavaivigwa
nazvo,zvose zvakaitwa vomirira chete kuti zuva ripinde
munamai varo vawane kufamba kuenda kuNinga.

Pakazotanga zuva kunyura makurukota aizoenda


naMambo vakaita kusarudzwa na Jekesai achibvunza
svikiro sezvo aisada varume vanehana nhete, sezvo
vainopinda muninga mune mapfupa edzinza ra Chatikobo.
Zuva richinyura vakatakura mutumbi wa Mambo
ndokubuda nawo, mumuzinda vonanga kunouchengeta,
vakafamba Jekesai aripamberi na Tasara dzamara
vasvika pa Ninga iri, Jekesai ainge asati akambopasvika
asi aive arairwa mafambiro nezvinoda kuitwa pakuvigwa
kwa Mambo,akaita zvose zvaida kuitwa, ndokuraira
makurukota kuti apinde nemutumbi uyo wakabva waiswa
panzvimbo pawo paainge arairwa ne varikumhepo.
Tasara akapihwa nguva yekuonekana nababa vake
achitaura zvirikumoyo kwake, asi haana kutaura zvizhinji
ne misodzi yaiva yomukurira, Jekesai akapedzisa nekuita
zvaainge arairwa ndokubva vabuda muninga iri
ndokuzarira, kunze kwainge kwatosviba, vakafamba
kudzokera kumuzinda.,Makurukota ose hapana aizofanira
kutaura nyangwe kumba kwake chaiko nezvekufa kwa
Mambo wavo,kusvika kwavakaita kumuzinda, mvura
yakangotanga kunaya zvavasina kunzwisisa, yakanaya
mvura yaityisa ichipenya, zvaivhundutsa pwere.

Tasara akazokumbira Godobori wake Jekesai kuti arape


mai vake, asi Jekesai hana kuda kudyira uriyi mukanyara
" Handina chandinorapa apa Tasara, parikuda kuripwa
ngozi chete, kana ndakutorapa ndakutotsipika ngozi
zvamakaitirwa pano na Mugwaze, inozongodzoka chete
ngozi iyoyo ikakunetsai, mai vako vanoita zvakanaka bedzi
kana waripa ngozi ndiwo mushonga wavo".
Anopedzisa kutaura Jekesai achitora nhava yake wobuda
kuenda kumba kwavo mvura yainge yatomira, yaiva
yanaya zvemashura chaizvo, uye yainge yadzima tsoka
dzevaenda kuNinga.
Ukuwo kuna Ruramai ainge akambobatwa nepfungwa
yekutiza husiku achida kudzoka kwa Chatikobo kuna
Tasara, asi akazvirega zvekuda kutiza paakapotswa
nemapere ayo akazobata mbudzi iye woponera pane
umwe musha , kubvawo ipapo pfungwa iya ye kuzviti
mudzimai waTasara yakatanga kudzikira yega, akamboita
mazuva achiswera akazvivharira mumba achingochema
kana basa aisaita ne kufunga Tasara asi akazoita
seaajaira hake.

Iye namai vake, vainge vavakirwa kavo katsaka kekurara,


ndokubviswa pamba patete vake, nekuda kwehusimbe
waaiva nawo, uye nguva diki yaainge agara mudunhu ra
Mambo Matare ainge atonzwa nekugadzwa dare
remakuhwa, pose paitaurwa nyaya dzema kuhwa zita rake
raisashaikwa zvekuti tete vake vainge vakatopihwa
yambiro pamusoro pake nevavakidzani vavo , vachinzi
akaramba anehunhu hwakadaro vaizomuendera kwa
Mambo vodzingwa mudunhu iye namai vake.
Nyangwe hazvo ainge ane hunhu hwaisemesa vazhinji,
asi akazoita rombo rakanaka kudiwa na Maruva mwana
wejinda ra Mambo Matare.
Maruva aive atobvawo zera asati awana hake sezvo
vasikana vemudunhu make vaisamuda vachiti anotyisa
nezimuviri raaiva naro, aiva murume murufe, aine tsapfu
dzaiita sokunge mupurwa unepamuviri, iwo maoko aiita
seakazvimba, chipfuva ichi hatichataura, chaiva chazara
bvudzi, aine ka musoro kadiki kaisaenderana ne mutumbi,
iro izwi aiti akavhundutsira mwana anoita buka chete, asi
chaaigona kuvhima pamwe nekurima, pamba pavo
paisadyiwa nemuriwo kwete izvi zvaitoshura, zvose izvi
ndozvainge zvachiviwa na Ruramai ainge akagara
arimunhu anoruta kubva arimudiki, asi zvaimbova nani
sezvo baba vake vari vapenyu vaivhima uye pamba pavo
paiva ne zvipfuyo.

Ruramai aive akasangana na Maruva kaviri achibva


kunochera mvura, ndipo paakaachiva Maruva uyo ainge
akatakura mhembwe achienda kumba, Ruramai nekudawo
nyama akanyepera kutsvedza ndokudonha, pamberi pa
Maruva uyo akakanda mhembwe pasi akamugamha,
achimubvunza kana ainge asina kukuvara, Ruramai zuva iri
akanyepera kukuvara akatoita zvekutakurwa woendeswa
kumba na Maruva, ndipo pavakatanga kuwirirana pamwe
nekufambira, hazvina kutorerawo jaya mazuva matatu
kukanda shoko achibva adiwa hake.
Rudo rwe vaviri ava haruna kuita zvekuvigwa asi rwaiva
pachena, Ruramai akazivisa tete vake nezva Maruva avo
vakarumbidzawo Maruva vachiti ijaya rakagwinya uye
hombarume uyuwo Maruva akanosvitsa shoko kumba
kwavo achitaurwo nezva Ruramai, baba vake havana
kupokana nazvo asi mai vake vainge vakambonzwa
runyerekupe kubva kuna Godobori Magwaze kuti
akauraisa munhu kwa Chatikobo asi zvainge
zvisinaumbowo saka vakazongobvumira mwana wavo kuti
aroore hake Ruramai.

Maruva akaronga zuva rekuenda nemusikana wake kwa


tete vake uko vaida kunopanana nhumbi, akataura na
Ruramai akabvuma hake , kwaisava kure hako kwa tete va
Maruva vaigara mudunhu imomo, vaizoenda mangwana,
vakarara vatoronga zvose.

Kunze kuchichena tete va Ruramai vakasarudza


kuperekedzawo muzukuru wavo, asi vasati vasimuka
vakambogara naye pasi vachimubvunzisisa kana ainge
azvipira kuwanikwa uye kana ainge achiri mhandara, iye
akabva atopika nevadzimu achiti achiri mhandara
yakwana.
Vakapinda munzira kuenda, vaizowana Maruva ariko
ainge atungamira mangwanani achida kunovhiya mbudzi
yemuriwo, sezvo tete vake vaifarira kuti avakuzoroora.

Ruramai natete vake vakatambirwa nemufaro chaizvo


kumba kwa tete va Maruva, vakapinzwa mumba umo
maida kuitirwa chivanhu chacho,vakagara vose Maruva
ainge akabata nhumbi yake iyo yaakasvitsa Ruramai,
iyewo Ruramai akamutambidzawo yake, vose ndokuzopa
tete va Maruva avo vakaridza mhururu nekufara vakataura
vachirumbidzawo muzukuru wavo Maruva vachiti murume
chaiye, Ambuya va Maruva vainge varimo zvekare.

Mukana wakazopihwawo kuna tete va Ruramai avo


vakatanga kutaura vachitenda chaizvo nekutambirwa
zvakanaka, vakazopedzisa nekurumbidzawo muzukuru
wavo patsika nyangwe hazvo vaiziva kuti akachenamana
uye ane guhwa, chekupedzisira chavakataura vachiita
sokunge vanotsenga mvura, Inyaya yehumhandara hwa
Ruramai vachiti akazvibata musikana akakwana, Maruva
achinzwa kudai akadonha rute aingoti ngarisvike kani zuva
randinoubvisa humhandara uhwu, sezvo ainge asati
akamborara naRuramai, vachiri kutaura tete vaRuramai
pakabva papinda vasikana vaviri vanerusero rwaiva
nenyama yekugocha, vakasvikogadzika nekubuda.

Ruramai akabva arohwa kumoyo nemweya wenyama


yekugocha, ndokuda kumboshinga asi akazongosimuka
womhaya panze sembeva ikubuda mumwena kunorutsa,
vana tete vakangosara vakatarisana vose ndokutarisa
Maruva.

Kupetwa kwechitsauko

*Vaverengi munoziviswa kuti book redu ONSALE kubva pa


Chapter 19*
Kuti muenderere mberi nerungano urwu taurai nemunyori
pa number idzi.
+27652128409
+263 77 729 8314
+263777400185

You might also like