Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 462

MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI

APP: +27610921330

AND

TJ.....+2761058153

CHAPTER 1

"Aiwa kani usandiendesa ikoko


kunonyudza my love,i told you kuti
zvekubhaguja handizvigone ini."

Akaramba akandibereka achifamba neni


mumvura kudaro uku achiseka
zvake.Ndakada kumbotsamwa but pana
Thomas waitopedza nguva kumutsamwira.

"Tom kani please stop it, dai ndaziva


ndisina kumbouya newe kuno ndikafa chete
ndinokupfukira chipoko."

"Unenge wagona ka ukapfuka ndoziva kuti


mukadzi wangu ndinaye,ndinotoenda
ndikatondokuroora urichipoko kudaro."

Takabva tatanga kuseka zvedu tirivaviri


,mukomana ayindida zvake uyu
Ayindida zvandaiona ndega
ndaisaudzirwa.Aiva munhu wemafunnies
zvekuti nguva zhinji kana ndiinaye
ndaitombokanganwa kuti panyika pane
nhamo uye ndaifunga kuti hakunazvee
vamwe vanhu vanodanana kupinda
isusu.Vamwe vanochemedzwa nerudo
irinyaya yekuti vanenge vadananana
nemunhu asiri iye chete.Love is so sweet if
you find a right person at a right
time,ndizvo zvakanga zvaitika pandiri na
Thomas ropa redu raiita kupindirana zekuti
tainge tisingachadi kugara nguva yakareba
tisina kuonana.Ndakati ndichiseka kudaro
uku ndichifunga nezverudo rwedu akabva
andikandira mumvura,ndaka screema
ndichida help but iye aitoseka
zvake.Paakazoona ndakutadza kufema
zvakanaka ndipo paakazoshambira
kwakuuya akandidhonza ndokubuda neni
panze.

"But this is not fair babe,ndatozviona kuti


haundide aaagh nhai hona kusekwa
kwandiri kuitwa naBeauty."
"Aaagh ndisiye zvangu mira ndikuratidze
inini kuti ndogona kusweema." Akadaro
my friend Beauty achibvisa top yaanga
akapfeka zvese nebra kwakusiya mazamo
aripanze,kana kumbonyara
mufunge.Pandakaona avakukurura jean
raanga akapfeka nechemumoyo ndakati
nhasi zvangu mukomana wangu
achaoneswa zvimwe but atleast anga
akapfeka hake skin tyt.Achipedza kubvisa
mbatya akaita zvekuzvirasira mumvura
ndokutanga kubhaguja achiti
akambonyurira kudai ombobuda ochinja
style oita nemanhede,ndaiita kunzwa moyo
ndichishuvira kuti dai
ndaizvigonawo.Ndichakavarairwa kudaro
Tom akauya ndokundibata muchiuno
mangu kwakutanga kundikisa heavy achiita
zvekudya rurimi rwangu.Pandakanzwa kuti
zvavakuipa i pushed him kumashure. "Tom
please stop it,aaagh babe unonetsa iwe
hindava uchida kungorambidzwa zvese
zvese kunge mwana?" Ndaidaro zvangu
ndichiita majokes naye isusu tiri vaviri
taizivana hedu.

"Iiigh vasikana motoita kiss yekudadira


muchitombova navo vanokisa,inga
mapudzi anowira kusina hari?"

Akadaro Bee ndisati ndapindira akabva


anyura mumvura tikasara hedu tichiseka
nemukoma wangu Thomas Kaseke.

"Felly you know what?" Akabvunza zvake


achisekerera,paaisekerera ndaibva ndaona
runako rwake rwese.Aibuda twumwe
twukomba soo mumatama ake,rimwe ziso
rake raiita serakatsunzunyira so
vaisamuziva vaiti ipozi izvo akabarwa
akadaro.

"What is it Tom my heartbeat? I said


ndakutarisa mumboni chaimo,akandibata
ruoko rwangu ndobva tatanga kufamba
zvishoma shoma tichinanaira kunge kamba
ndobva tanogara pamachair.

"Babe ndirikunzwa chando inini regedza


ndinobvisa hembe dzakatota ndipfeke
dzimwe" Ndakadaro ndichitosimuka.
"Ok ndokumirira pano ukasike kudzoka
remember i want to tell you something ."

"Ok dady."

Ndakamhanya ndichienda kwatanga tasiya


mabag edu,ndisati ndasvika ndakanzwa
mhere kumashure.Ndakacheuka ndokuona
ariBeauty aita kunge arumwa ne something
mumvura maaiva.Tom akasimuka
pandanga ndamusiya ndokumhanya
achienda mumvura maiva naB,iniwo
ndakateera kumashure ndokubva ndamira
kunze ndichida kuona kuti shamwari yangu
aitasei.Akabudiswa mumvura akaberekwa
achingosheedzera kuti "gumbo rangu
kani!" "Gumbo rangu" Aidaro zvake akaita
zvekurarira kumusana
waThomas,paakaburuka akatanga kuseka.

"Remember nhasi ndi 1 April


ndambokunyepera ka,atleast
ndaberekwawo naThomas kubva rini
ndichizvishuwa nhai"

Aitotaura zviya zvekuda kundisvotesa


chaiko ende zvakabva zvandibhowa.
"Enough Beauty! Thomas mukomana
wangu not wedu wanzwa,why usina respect
how dare you? Look izvezvi hauna kana
nekupfeka ma......"

Handina kupedza kutaura ndakakaruka


ndarohwa mucheka wembama padama
ndikaita sendichadonha nedzungu.

"Wavakuda kundipinda muhomwe manje


Felistas Chuma,kuita boyfriend inini
ndisina hazvirevi kuti wavakundiudza
zvekusapfeka kwangu wanzwa,who are
you? urichii changu nxaa.Handina
kukutuma inini kuti muuye neni kuno
kuVictoria falls,plus i know zvawazviitira
wanga uchida kundidadira kuti ndikuonei
muchikisana nemukomana wako manje
rimwe zuva tichafanana." Aipopota kudaro
achitofamba kubva patanga tiri,ini ndainge
ndakangomira ndakabata padama maziso
angu akatarisa Thomas but haana kana
chaakaita akaramba akamira akamutarisa.

"Security,Security,Security! please stop


that lady."Ndakadaro nenzwi raiva
nehukasha asi dzaingova hasha hadzo
handina zvandaikwanisa kumuita
ndaitotemba naThomas.
"No let her go,do you still remember
ndichikuudza about your friend that day
randakabva kuTanzania ukanditi heee
ndiwe unomuda heee wat,wat.?You see
now zvaakuita haukwanise kuita zvinhu
zvako pasina Beauty wako iyeyu,hameno
kuti chii chaizvo chaakakudyisa"

Ndakasvotwa nezvaitaurwa naThomas


pachinhambo chekuti anditi sorry akabva
apopota.Ndakatanga kuchema ndipo
paakazondimbundira achindinyaradza,ehe
ka ndizvo zvandaida izvozvo.Pasina nguva
ndainge ndatokanganwa nezvaBeauty
tainge tava kufara zvangu nemudiwa wangu
tichiona nzvimbo dzaiyevedza.Paakaona
kuti ndakanganwa zvese ndainge ndazara
nemufaro akabva atanga kundinyengerera
achikumbira kuenda kundorara neni of
wich ainatsa kuziva kuti ndizvo zvinhu
zvandaisatomboda at all.Aiti akangotaura
zvekuda kurara neni ndainzwa hana yangu
kurova seichatsemuka ndobva ndatochinja
nyaya,izvi zvaikonzerwa
nezvandakasangana nazvo ndiri form 3 and
yaiva secret yangu handina kana munhu
wandakaudza nekuti zvaisataurika.

"Why cant we change the topic Tom?"


"Babe why?.Nguva dzose ndikataura nyaya
yekurara newe unochinja nyaya"

"Yes because andiide nyaya iyoyo and you


know that"

"So tosvikepi tichigumira pakiss sevana


vechikoro? Shaa ndine mafeelings hako
sometimes ndotofunga kuti Beauty ari right
pane zvaaitaura"

"Time will come Tom..Why rushing things?


aaagh what babe,urikuti Beauty ari right
pachii?"
"Are we rushing? anywhere never mind
about nyaya yaBeauty"

Ndakabva ndangoisiya hangu nyaya yaBe


but mumoyo mangu ndaida kuzomubvunza
kuti chii chaakaudza mukomana wangu.

"Yes you are"

"Ok...Iam sorry then.But mozotipawo


zvinhu izvi in time..Iam dying babes"
Ndakaseka hangu but deep down ndakanga
ndavakudyika mumoyo mangu..Zvaisaita
kuudza mukomana wangu kuti ndanga
ndatova neimwe pfungwa uye kumutaridza
kuti pfungwa dzanga dzavakwadzo,so
ndakapretender as if everything was fine.

Pega pega paitaura Tom nyaya yekurara


tose ndaipindwa nemweya wekuda
kumuramba asi ndichimuda.Zvakangooma
kuramba munhu waunoda asina
chaatadza.Worse uchiziva kuti you are the
one aneproblem or secret murelationship
menyu.Pandakanga ndasangana
nedambudziko iri before Tom ndainge
ndisati ndamuziva uye ndakanga
ndazviudza kuti handaizopinda murudo
zvachose.Asika zvainetsa ndiyani
akararama akakunda asina rudo,worse at
this age of mine munhu wese aitoshuvira
kuda kuziva mukomana wangu
achazondiroora?

"But my love now tavakutokwanisa


6months tichidanana ko sei usingadi
kumbofadza mudiwa wako.?"

Akaisimudzira zvakare nyaya yake ini


ndaitofunga kuti yapera.
"Inga ndinokufadza wani hona now tirikupi
ndirwo rudo rwacho ka, Sex sandiyo yega
inoita kuti vanhu vafare mukudanana
kwavo
.Zvesex babe tinozozviita kana wava
murume wangu or wandiitira something
chinoratidza kuti unoda kundiroora."

"Are you sure babe?"

Akadaro akabata chingunwe changu achiita


kunge arikuda kundipfekedza ring
.Ndakanzwa kahana yangu kurova apa
ndizvo zvinhu zvandaishuwirawo
muupenyu hwangu kubva ndichikura
kuzopfekedzwa ring nemukomana wangu.

"Saka chaitei chigunwe changu?"

"Nothing,iam just admiring it"

"Ummm heyaaa"
Batirwo yandanga ndakaitwa naTom
achitambisa chigunwe changu yakaita
ndifunge achindipfekedza ring..What was
going to be my reaction kana
azondipropposer?.Ndakasiyana nepfungwa
yacho ndaisada kuzorasisika.

"But promise me one thing."


He said akanditarisa mumaziso chaimo.

"Yes what is it?"

"Haufe wakarara neumwe mukomana


kusvika ndazokuroora,i know uchiri virgin
so please promise me ucharamba uri virgin
kudaro kusvika zuva redu rekuchata"

"I promise"

"Hana yako ikurova babe"


"Ndiweka ukutaura nyaya dzotyisa"

"Haaa gore racho umwe munhu akafita


kufenda"

"Please stop it........


End of chapter 1
*Ypur comments keeps us going*
MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI

APP: +27610921330

AND
TJ..+27610581531
https://chat.whatsapp.com/JEfpsBfvlGS6VR
cQJ88Nmc

CHAPTER 2

Beauty.
"Munhu kutoda kushamisira nemukomana
waakazowana after atambura..Akanganwa
kuti pose apa ayiraramiswa neni nemari
dzangu manje tichaisa magaro kumwe"

Ndaitaura ndega ndichipeka peka zvinhu


zvangu kuti ndidzokere zvangu kuHarare..

"Kutondidaidzira security kani kuda kuti


andiiteyi manje,naiye Tom wacho unoshaya
kuti anodei munhu asina kana negaro?
Kuona kwangu Felly anenge ane aids chete
nekuti sei achigara ane stress nguva dzese,
imo muka diary kake kaya kaakaramba
nako musiuya pandakamusvikira
achichema munei chaizvo?"
Ndakayenderera mberi nekutaura ndega.Dai
paiva neayindiwona ayigona kuzofunga kuti
ndainge ndava kupenga.Ndakarongedza
zvinhu zvangu kwakupedza ndokutanga
kufamba ndakananga kuzvimota,ndaiziva
kuti transport handimboishai chete.
Semunhu anga atakura mari padivi
ndakazvipira kusanotungamira zvangu
Felly osara nemudiwa wake vachisasana
asi chandaiziva ndechekuti pauviri hwavo
umwe achazochema chete pamberi apo.

NaFelly takanga tatanga kuita mashamwari


makore anga adarika.Hushamwari hwedu
hwaiva hwakasimba pasina anodadira
umwe,zvese zvekuonererwa kwaanga oita
zvakazotanga pakauya Tomy pakati pedu..I
felt jealous nguva zhinji.Zuva ratainge
tatanga kusangana naTomy anga adaidza
ini pekutanga, hana yangu yakarova
ndichienda paari asi pandakasvika paari
hameno kuti akandishorei ndipo paakati
ndimudaidzire shamwari yangu. Handina
zvangu kuramba ndakaita sekudaro asi
ndipo pakatanga godo rangu nekuti i
wanted him not kuita weshamwari
yangu..Tomy ndaimudawo asi ayitaridza
kusava neinterest neni.Dzimwe nguva
ndaitomurota aripamusoro pangu
tichinakirana ndotopepuka ndakatota
kuzasi kwese uku,dzimwe nguva
ndaitomurota achitamba neni chikudo,
pandaizopatika ndaiona ndichisekerera asi
ndaizosvotwa ndichiona Tom wacho asipo
nxaaaa.

"Anywhere regai ndisiyane nazvo


zvekufunganya have zvingazondiwedzera
stress, asi gore raachawana Tomy iyeye
arimubedroom mangu ndiro gore
raachapfidza mapfidzo ose.Andivhairirwe
nemunhu asingagone kupa mukomana
wake kiss ini, apa Felly wacho
akangoumbwa ari straight haana kana
shape. Ndinozoseka mhani nestep yake
pakufamba anoita kunge arikuenda iye
achidzoka, ko iko kufamba akatsveyama
kunge imbwa yasvodza handifungi kuti
chero chikapa chinogonekwa ini. I think
ndidzo type dziya dzekungorara
dzakavhura makumbo maziso otsinzinywa
kunge munhu arimungoro yevashakabvu,
munoti murume anganakirwa pakadaro,
gegege seka zvako Bee "

Haaa iniwo futi ndinenge ndaiva ndava


kutopenga chete, zvandainge ndongoramba
ndichitaura ndega apa ndainge ndamboti
regai ndisiyane nazvo. Well ndichifamba
kudaro ndakabva ndacheuka kumashure
ndikaona kusina munhu ainditeera, ndaiva
netarisiro yekuti Felly ayizonditeverawo
sasahwira wake asi ahana kana kuzvinetsa
zvake..Ndakaridza tsamwa ndichiyenda
kwandaiyenda.Ndisati ndatosvika
ndakasangana neimwe mota yeruvara
rutema iri benz.Mawindow ayo
waisakwanisa kuwona zvaiva
mukati..Akasvikomisa muzasi zasi mangu
mutyairi wemotokari iya,zvishoma
nezvishoma window rekuside kwandaiva
rakadzikiswa..Maziso anodawo kugutaka
hapana asingazive,ndakapotsera meso
angu mukati ndikasangana nemukomana
anga arimutsvuku zvaigona kunzwisa
mutariri nyota.Hana yangu yakarovera zviya
zvekumuda chaiko ndobva ndamedzerera
mate ndakamutarisa.

"Murisey tete?"

"I am good" i said ndichinyara nyara kunge


mhandara irikuyamwiwa mazamo.

"Murikuyendepi apa?" he said achinditarisa


kubva kuzasi kusvika kumusoro
nechemumoyo ndikata ndirikuchiviwa
chete apa if zvikafamba mushe kunozodoka
taita upombwe.

"Ndirikuda kunotsvaga mota apo


inondiyendesa kuHarare"
"Ooh ok..Ndirikutsvagawo munhu
anonditandadza kuyenda Harare.Pindai
tiyende"

"Imarii first?"

"Just get inside beautiful"

Paakangodaro chete ndakapinda


mumota.Dzerudo ndidzo dzataida isu
taidanwa tichidaira kungoti isu ana Bee
badzi taidzishaiwa hedu..When it comes to
man ndanga ndisina kana nelucky navo..So
maybe this guy was going to be mine
azvina anoziva..Ndakakanda bag rangu
kuback seat ndikagara kufront..The guy
was looking at me,kuita seachandimedza
nemaziso iniwo wachi ndainge
ndavakungwara ngwara ndisisina kana
gope kumeso semunhu aida kudiwa neane
mota.

"So whats your name?.Ini ndonzi Vigilance"

"I am Beauty"

"Wow nice name..Manga mauyawo


kuzvifadza kuVFalls?"

"Yeah seka weekend soo"


"That's not bad.Munosibhadhara marii
kuyenda kuHarare?"

"Its my first time kutohyker"

"Ko pamakauya makabhadhara marii?"

"Ndakauya nevamwe using their own car"

"Ok..So what happened vasarepi vamwe?"

"Zvekufamba nevanhu vane vadiwa vavo


zvonetsa..Any silly mistake wotonzi
wavakuda mukomana wangu"

"Yah..Ko imi makasiireiwo wenyu?"

"I dont have"

"A beautiful lady like you.Kushaya


mukomana why?"

"Zvonetsa zvekudanana izvi,vamwe vacho


havana rudo zvachose ndivo vaya vepama
toilets vakanzi varume.I want a real man
ane love yemashuwa kwete yemu tv."
"Azvinetse.Inyaya yekuti unenge wadanana
nemunhu anonetsa.Love is good,love is
healthy"

"Like seriously so ndoziva sei kuti apa


ndasangana nearibhoo?"

"Yeah it is..,.... Inini wacho ndini aribhoo


hauzvione kani"

Kwaiyenda nyaya ndiko chaiko kwandaida


kuti isvike.Munhu uyu ndanga
ndamuda,zvekuti anewake or anemukadzi
ndaisazove nebasa nazvo..All i wanted was
to be loved,the rest was going to be
nonsense.Takaitsika tsika nyaya yerudo iyi
motikari ichifambiswa neuno mukomana
mutsvuku munaku.In his white golf tshirt,a
khaki trousers ranga rakanyorwa DH
pahomwe, mugumbo ainge akazvipfekedza
mapush ewhite akanyorwa kunzi Nike
,ayioneka sengirozi yadzika pasi ichibva
kudenga ndivo vakomana vaiwanikwa
neatanga ende kana aizondiudza kuti haana
musikana anenge arimanyepo chaiwo
nekuti aingodika soo.

"So shamwari dzako wasiya vachiitei?

Akabva abuda munyaya dzerudo


dzaaitaura,ndakasvotwa nekuti anga
avakundinonokera kundisvitsa shoko.
"Yes vasara.Vanotevera zvavo regai
vambosasana ndivo vakakomborerwa
naMwari."

"Wabva wandifungidza kamwe kaNovel


kandakamboverenga ndichiri kuchikoro
kanonzi kusasana kunoparira.Lets hope
kusasana kwavo hakuzovapariri."

"Ndakaziva kabook ikako but heyy


pakaipa........"

Ndakambonyeya Felly nemukomana


wandanga ndasangana naye kwenguva
shoma shoma.Ndaiudza Vigie zvekuti chero
ayisandida ayizokaruka andida chete.It was
my first time to talk about Felly asipo chero
hazvo zvaisava zvakaipa.

Felly was good to me kubva patanga


tasangana.Dambudziko ranga ratanga neni
nekuda kwandaiita Tomy mukomana
wake.Mazuva ose ndaigara ndichida
kutaura naTomy pafone but ayidaira
zvekusada kuyenderera mberi neni.I acted
kwaari ndichiita mamovements ekuti
andidewo asi ayibva atoita sekuti arikuona
chembere isisina mazino
pandiri.Chainyanya kundirwadza parudo
rwevaviri ava yaiva nyaya yekuti kutanga
kwedu kusangana naTomy anga ataura
neni..Anga asati asvitsa zvake shoko
rerudo asi kwaiyenda nyaya ayizosvitsa
chete.Zvakazodirwa jecha panguva
yakasvika Felly,Tomy akabva atosvorwa
naFelly ndokukanganwa nezvangu
Ndaigarofunga misi nenguva kuti dai
pasina Felly zuva iri ndingadai ndakawana
mhene yangu Tomy.

"So kuHarare unogara nani?"

"Ndaigara neshamwari yangu asi


paakawana mukomana akabva atotanga
kugara ega" Ndakapindura
ndichinatsakuziva kuti ndanga ndareva
nhema

"Wow,kugara wega..So am i invited at your


place?"
"Anytime"

"Thank you.Ndichauya"

"Imi mogarepi muHarare?"

"Handigare muHarare zvangu.Ndogara


kuVFalls,kuHarare ndoita zvekushanya here
and there.Kunasisi vangu vanogara
kuWarrenpark ndiko kwandirikuyenda"

"Ooh ok panduze nekwandogara.Ndogara


kuKambuzuma"
"Inga une lucky.Inziraka yekuyenda
kuWarrenpark?"

"Yeah inzira"

"Saka ndokusiya pamusiwo chaipo.Handiti


handirohweka netukomana twemuraini
menyu?"

"Haaa kana vachikuroverei?"

"Kutika ndakufamba nebabe remuline mavo


ivo varipo"
"Hazvirovese izvo"

Road yekuyenda kuHarare yakaita


kundifadza.Panguva yakafona Felly
ndakatoignowa,ndaisada atikanganise
naVigie plus i was avoiding her
sories.Ndiyo yaiva tsika yake kana
ndamujinyura,ayizokumbira ruregerero
nechemumoyo ndosekerera svoto
zvangu.Manje apa i wanted to give her
kahomework,kusatodaira fone ndaitoziva
kuti ayizoshungurudzika otadza kufara
naTomy avakufunga nezvangu.Apa ini
ndichifara zvangu neuyu munyowani
wandanga ndavakutofungira horror chaiyo.

Zuva richinodoka takapinda muHarare.Vigie


akati ayizondisiya pagate as he
promised.Takasvika pamba akasiya adzima
mota yake ndokunditevera.He was holding
my bag ndichifambira padivi
pake,ndakaona zvangu ka vision tichifamba
mutown akandibatira purse yangu ini
ndichiyema ndiri padivi.Takapinda mumba
akakumbira mvura yekunwa

"Ok.Take a seat i am coming"

Ndakayenda kukitchen ndavakunotora


mvura.We didn't exchange our numbers
manje taizotaura seyi? Ndakazvibvunza
ndichivhurira mvura patape.Hameno
zvaizozviita zvega.Ndakasvikowana
atosimuka amira
"Ko?"

"My sister is calling,arikutobvunza kuti


ndasvika here?"

"Iiih kubva wadederera sisi vako


kudaro..Ooh mvura yacho inwa uyende"

"Thank you"

Ayitambira asi achitarisa pachipfuva


changu chandanga ndamisa misa.Semunhu
mutsvuku mazamo angu ayiva machena
chaiwo zvekuti chero harahwa yaitochiva
kumayamwa.Akaita nguva asina kunwa
mvura iya akanditarisa.Ndakaona shasha
yavakutsveta mvura pakatable kaiva padivi
ndokuswedera padhuze neni..

He was looking at me in my eyes,handina


kunzvengesa maziso angu ndaitodawo
zvaaifunga kundiita zvacho.Ndakanzwa
kakudziya kemuromo wake,senyana
raitambira chikafu kunamai varo
ndakashamisa wangu muromo...He was a
good kisser,i felt the kiss kubva payanga
yatanga chaipo.Akadzikisa rumwe ruoko
rwake zvishoma nezvishoma avakutambisa
minyatso yemazamo angu.Panguva iyi
ndakanzwa kuti waaaaa mupant
mangu,hameno iye akazviziva here
ndakaona odzikisa ruoko rwake mupant
chaimo..His middle finger pakapot kangu
achiita kutambisa zvainakidzirira zvekuti
ndaisada kuti arege..Akambomira kundikisa
ndokunditarisa mumaziso.

"Please dont stop"

I said nekazwi kanga kapusiswa


nekiss,ndainge ndapera chaiko kuti
hwaa.Panguva yaakamira kundikisa
ndakatarisa muroom mataiva maziso
achitsvaga patingazvipedzera ndokuona
kuti ndikabatira patable ndoita
zvekukotamira zvitori bhoo.Pfungwa yekuti
mukomana uyu anga asina kundiudza kuti
anondida haina kupinda mumusoro mangu
uye ndaiziva kuti hapana patingazorara tese
torega kudanana.

"Vigi please wazvitangirei kana


wavakungomira,asi pane chandatadza
kani?"

I said nekanzwi kaiva sweet kari soft ende


pandakataura ndaimedzerera mate.

"No Beauty you did nothing wrong but


hameno changa changondibatawo kusvika
ndizokukisa,i am very sorry babe let me
go."

Akafamba avakutobuda ndobva ndamhanya


kundomuvharira mberi kwake.
"Please stop it."

Akadaro nenzwi raiva nekaukasha


zvishoma ndichibva ndabva mberi kwake.

"Ok chindipa number dzako."

"Give me yours?"

Akaisa ruoko muhomwe ndobva abudisa


phone,ndakamupa number dzangu ndobva
aoneka akaenda.Ndakaenda mubedroom
mangu kwakundozviwisira pabed
ndokurara ndakavhara meso asi ndaiita
sekuti ndirikuona Vig,ndakamuka
ndichiridza tsamwa ndobva ndagara pasi
ndakabata phone yangu
muruoko.Ndakatanga kutsvaga munhu
wandingataura naye pa app asi ndakashaya
kana mukomana umwe zvake aiva online,i
checked pana Tom ndokuona ari online.

"I am very sorry pane zvandaita kuna bae


wako but pane zvandirikuda kukuudza
about her,are you free kuzosvika kumba
kwangu."
I send him a message but akangovhura
ndobva atadza kupindura.Ndakasimuka
usiku ihwohwo ndokuenda kumba kwatete
vaFelly,kwaisava kure zvako kubva
pandaigara saka ndakawana vasati varara
vachitoona havo tv.

"Tete maswerasei,handisi kugara


ndirikumhanya-mhanya. Ko Felly haasati
asvika."

"Ko handiti mabuda mese pano makuseni


kuma 4am wamusiya kupi?"
Vakadaro vachiratidza kushamisika.

"Asara nemukomana wake zvavanga voita


zvacho ndaona kuti inini
handingakundi.Anywhere ndasiya watch
yangu makuseni muroom make ndiyo
yandauya kuzotora."

"Ko vanga vavakuitasei?"


"Haa tete hazvishamisi kuzonzwa kuti
mwana amitiswa,ndaedza kumutsiura asi
zvaandidaidza zvacho ndapotsa ndamurova
mbama pamberi paTom."

Ndakadaro ndavakufamba kuenda


mubedroom mairara Felly,tete vairatidza
kuda kunzwisisa nyaya asi handina
kuzviisa mumusoro.Ndakatanga kuvhenda
pese pese ndichitsvaka zvandaida,nguva
yandainge ndavakutoda kubuda ndipo
pandakangopinza ruoko muhomwe
yebhachi ndichibva ndasanganidzana
nediary yake yandaida.Ndakaitora ndobva
ndaipfenyera mubra ndokufamba ndava
kudzokera kwandainge ndasiya tete,mufaro
wainge urimugotsi nekuti information
yesecret yandaida ndaizoiwanamo chete.

"Waiwana here watch?"

"Ndaishaya tete but kwasviba uku regai


ndidzokere ha....."

"Aaagh abva atosvika,ko iwe mafambire


rudzii awava kutiitira pano?"
Felly haana kudavidza akabva awedzera
kuvhura door ndobva mukomana wake
apinda...............

End of chapter 2
MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI
APP: +27610921330

AND

T.J.....+27610581531

https://chat.whatsapp.com/JEfpsBfvlGS6VR
cQJ88Nmc
CHAPTER 3

Felly

Takaseka tichirovana maoko asi hana


yangu haina kumira kurova,i tried
kuzvivanza asi Tom aizviona aingoti akati
gare-gare oti "whats wrong my love?"
Ndaibva ndangopindura kuti "zvose bhoo
my love" but paakazoramba
ongobvunzisisa ndakazomuudza kuti i was
stressed nembama yandanga ndapiwa na
Beauty.My friend ndaiziva hangu kuti
sometimes pane zvinoitika paari zvaitoda
kuti Mwari apindire asi problem yake
aisafarira kumbopfugama achinamata
arwise mweya yemadzinza.Ndakatoziva kuti
chero kuenda kwaaita achitisiya achazvi
blamer kana
azopembenuka,ndakambofunga kuudza
Thomas kuti ngatimuteere zvichida
tinomuwana munzira asi ndakazofunga
mashoko anga ambotaurwa naTom ekuti
pese pese pandiri handidi kushaya Bee.Yes
that was true hapana pandaifarira
kusangana nemukomana wangu tingori 2
nekuti nemashuviriro ayiita kurara neni
ndaitozomupa chance of wich i was not
ready kuti ndimuvhurire makumbo.
Takasara tikagara dzinenge 2 hrs Beauty
ayenda, ndipo patakazoteerawo asi
takapinda nemuVicFalls,ndakaendeswa
pane imwe shop yaitengeswa juwellery
ndobva ndaona Tom achingotarisa tarisa
kuside kwaiva nemaring.Haana zvaakataura
takabva tabuda kwakundotenga madrinks
edu tikapinda muroad tavakunanga
kuHarare.

"Ko wanga uchitsvakei mushop matatanga


kupinda?" Ndakadaro ndichivhura drink
rangu,Tomas akatora time asina kupindura
achingonyemwerera hake.

"Ko pindurai ka nhai dady." Ndakadaro


ndichibata pachidya chake
ndichichizunungusa kunge ndirikumutsa
munhu akarara.

"Nothing babe ndanga ndichid kungoona


kuti tinofitwawo here kuzopinda mushop iyi
gore randichakuroora." Akawedzera
kusekerera hake uwone ma dimples
pamatama ake aibva anatsa kuoneka,
ndaiita kunzwa manyawi ndakatarisa
mukomana wangu but dzimwe nguva
ndaishaya kuti akanyanya kudei chaizvo
pandiri nekuti ndainge ndisina
kumufita.Handina chandaiva nacho,kana
chiri sechivakashure Mwari ainge
akangondipa magaro ekuti ndiwanewo
kugara pasi. Structure yangu yaitobhowa
kutarisa ende izvi ndaisaudzirwa coz
ndaizvizivira,chiso hacho chaiva nane
ndainge ndine face inotarisika kozoti
mazamo ndaiva nemadiki-diki zvekuti
kupfeka kwandaiita bra dzaivawo shungu
dzekuti ndinzi ndakapfeka but
zvayaishanda panga pasina
zvachose.Chinhu chandaitemba nacho
zvidhori,haa izvi ndainge ndakadhonza
ndichiri mudiki ndichidzidziswa nasisi
vangu. Ko ndaimboziva here kuti
zvinoshandei?Ndakatozozviziva ndakura
ndichinzwa vamwe vasina vachitaura
ndaibva ndazvirova dundundu hangu
nekuti ndaiva negood size inodiwa
nevarume vazhinji.

"Now ndiwe wanyarara manje, babe


unoziva kuti ndinobatika sei kana
ndichikuona uchinzwisa tsisi like this?"
Ndakaita zvekuvhunduka nekuti ndainge
ndatovarairwa nekufunga about mysef.

"Ndatoshaya zvekutaura hangu my love,


ndingatii hangu imimi mati manga muchida
kuona kuti tofitwa here? Maybe handina
kufitawo kupfekedzwa ring or i am not your
type who knows."

"Eish watanga nyaya yako yekuti hausi


type yangu. Unenge uchizviwanepiko
izvozvo nekuti inini ndinokuda nemoyo
wese?. Now ndiko kutanga nekupedzisira
handichadi kunzwa futi uchitaura nezvazvo
handiti honey?" Akadaro achindipuruzira
padama rangu rekwa right zviri
soft,ndakabva ndagutsurira musoro.

"Thanks my love that's why


ndichikuda,kana wasvotwa
nezvandapindura pawabvunza zvemushop
don't worry ndanga ndichingoita window
shoping."
"Really?" Ndakabvunza hangu asi mumoyo
mangu ndaiva nekakufungira kuti ndoda
kutengerwa ring chete,coz anga
ambondibata futi chingunwe changu achiita
seanoda kundipfekedza.

"Eish rega ndizame kuti fambei tisasvika


kwanyanya kusviba." Akawedzera
kumanyisa mota yake,ndainge
ndavakutotya kubheuka sezvo
ndaingonzwa nevanhu kuti Toyota wish
haina balance. Ndakamboda kumutsiura
but ndakazorangarira kuti aisada
zvekuudzirwa kana achidriver wainzwa oti
chitambi chandinacho handina kuita
chekutenga of wich tsaona hainei kuti
wakatenga chitambi here kana hauna
anything can happing by mistake, that's
mumaroad vachinyora masign ekuti drive
safely speed kills. Takatora kanguva pasina
aitaura neumwe, kana ndiriseni ura ndainge
ndangobatira mumaoko kurikutya kufa.
Pfungwa dzangu hadzina kuzorora kufunga
ndichifunga zvanga zvoitwa naTom, aita
kunge munhu avakuda zvekundiroora.
Ndakati regai ndimubvunze ndisangofira
mumoyo;

"Asi wavakuda kutondiroora?"

"Wavakuda kuroorwa here?"


"Ehe but handiti takatenderana next year?"

"Hazvisati zvachinja neniwo ndipo


pandirikuda ipapo but totoda white
wedding chaiyo. Ndofana kukufadza babe
tochata uye neniwo ndichikutenda
kuzvibata kwawakaita, nenguva ino yatava
kashoma kuwana musikana ane 22 years
achiri mhandara."

"Yaaaa.?" Ndakadaro ndichibudisa fon


yangu muhomwe ndichitarisa kuti hapana
ambondinyorera message here kunyanya
Beauty. Ndakaona ari online but haana
mesaage yaanga asenda ndobva
ndangomusiyawo.Patainge tava kupinda
muHarare ndakanzwa Tom achiridza
tsamwa akatarisa fon yake. Handina
hangu kuda kumubvunza asi
ndakangomutarisa kumeso kwake.

"Its Beauty hameno kuti arikudei


kwandiri?" Akabva anditambidza fon
ndokuona anyora message yekukumbira
ruregerero.

"Inga arikukumbira ruregerero wani?"

Ndakadaro ndichimudzorera fon yake.

"Ko zvaari kuda kundiudza about you


ndezvei,do you still remember achiti iwewe
haude kurara neni nekuti une chimbuya
chakakugara?"
"Haa babe uchirikufunga zvakapfuura kare
here handiti aida kuwona kuti unondida
here zvemashuwa, inga akakuudza wani
kuti ndaitamba newe?"

"She must know kuti handitambe naye


ini.Kana ashaya kwekutambira ngasauye
kwandiri.Now she's apologizing to me as if
akonana neni seyi,Adii kukumbira iwe
ruregerero?..Iam going to block her one
day"

"Babe ichiri nyaya yethat sms or what?"

"Felly look,ini andikuketere shamwari but


this Bee of yours is not a good friend for
you.Dai wasiyana naye in time nekuti type
yake uchazochema"

"I know you dont like her but she's my


friend..Dai ayida kundiitira hutsinye
angadai akatoita kare,its not like ndatanga
kuwonana naye nhasika Beauty uyu?"

"Ngatiisiye babe nekuti you always on her


side,you put her first ini wozondiisa
pamashure pake.Handife ndakaihwinha
nyaya yacho saka ngaisiye matambo"

"Babe that's not it"

"Lets drop the topic..Andid tinetsane


nekuda kwenyaya yaBee,but yekuda
kundiwona iyi ahitoite zvachose.Tell her
kuti Tom ati andidi kuwonekwa
newe.Handidi zvisina basa pamberi pangu"

Tainge tavakusvika pamba saka takabva


tachinja hedu nyaya.Takasvika tikawana
Beauty achitova pamba pedu but airatidza
kuti anga akutooneka.Tete vakada
kupopota vachiti ndanonoka kusvika but
vakazonyara vawona Tom wandanga
ndinaye achipinda ndobva
vanyarara.Takakwazisana natete asi Beauty
airatidza kuti haana kugadzikana zvachose
aingomirizika kunge munhu aripamutsetse
wekupinda muchimbuzi akapreswa
neweti.Tom haana kuzogara akabva aoneka
kuda kudzokera,tete vakaedza kumumisa
kuti adye but anga ane zvaarikumanyira
kumba kwake kuBudiriro.

"Chitondimirira Thomas tidzokere tese."

"Handina kuuya newe Beauty saka dzokera


newawauya naye"

Akadaro Bee nguva yanga yavakubuda


Thomas asi akarambirwa zvaitonyadzisa.
Ndaidawo kutomukumbirira asi mhinduro
yaThomas yakandipedza simba ndobva
ndangonyarara.

"Iiigh asi haurevesi Thomas kungondisiya


chete wobva woenda kumba kwenyu?"
Haana kudavira akaramba hake achifamba.
"Ko kungorara pano nhai mwana wangu.?"
Vakadaro tete.
"Yes Bee rara wozomuka uchienda mangwa
plus remember wanga wagara uchida kuti
ndikuperekedze kundorukwa musoro"
.Akada kushingirira kufamba usiku asi tete
vakamurambira vachiti ngaagare vane
zvavanoda kutaura nesu.Tete vainge
vatopedza kubika zvavo ndobva
ndangotora chikafu ndisina zvizhinji
zvandataura naBee,ndaisada kuti tete
vazive kuti tanga tambokonana asi
ndakazoshamiswa patainge totanga kudya
tete vachiti;
" Ko chiiko chaitika kwamanga muri chaita
kuti muzodzoka musiri mese.?"
Takatarisana naBeaty hapana akakwanisa
kupindura. "Beauty wanga uchiti chii
chaitika? Felly i hope hauna kunyengerwa
naThomas akarara newe kupusa pusa
kwako uku handikunzwisisi.?" Vakadaro
tete vakanditarisa kumeso chaiko. "Aiwa
handina kuita izvozvo asi kungoti
tazonyanya kunonoka ndizvo zvazotsamwa
Beauty akazoti ava kutisiya." Ndakabva
ndatarisa Bee wacho ndichida kuona
reaction yake,ndaitotya kuti achabuda
musaga otaura zvekuti ndanga ndichikiswa
but ipapo akaitawo semunhu mukuru
akabva ataura zvaienderana nestatement
rangu.

"Ndizvo zvandanga ndichireva tete nekuti


hazvizodi kusvibirwa nemukomana, saka
ndozvandaedza kuda kuonesa umwe
wangu akazotsamwa zvake."
"Aiwa handisini ndatsamwa,atsamwa
ndiThomas thats why azoramba kuenda
newe."

"But zvamunoita zvakanaka vana imimi


murivaviri,rambai muchiwirirana muite vana
vanyamunhu chaivo. Vanhu vanofana
kuziva kuti vakaona Felly vatoona Beauty
uye vakaona Bee vatoona Felly. Mistake
yawakaita Beauty ukabviswa umhandara
usaidzokorora futi then kunewe Felly ramba
wakachengeta umhandara hwako ndoda
kuzodada newe paunozoroorwa." Tete
vangu ndaivadira padzidziso ende vaigara
vachizvitaura pega pega pavanotiona
tirivaviri uye vainakirwa neushamwari
hwedu vaisatomboda kuti tikonane.Taiti
tikakonana kazhinji ndivo vaitiyananisa
plus vakazopedzisira voziva kuti Beauty
anombopota achichinja chinja serwaivhi.

"Saka murikureva here kuti inini


zvandisisiri mhandara hamudadi neni
ndikaroorwa?Dei maiziva kuti kashoma
musikana kubviswa umhandara
nekutenderana unotoita zvekudzvinyirirwa
chaiko sezvandakaitwa inini
maisandishora zvenyu nekuti chero Felly
iyeyu 1 day anogona kusanganawo nazvo."
Beauty ainge atomera kagodo kekunzwa
tete vachiti ndirimhandara ende tete
vakabva vazviona.

"Aiwa Bee handisi kureva kuti iwewe


handifari newe asi ndikungorevera pakuti
Felly arambe akazvichengetedza. Iwewe
ndinoziva ka kuti zvakaitika nemistake asi
chandavakukusimbisa ndechekuti chirega
kuramba wongopakurira wese wese."
Takatandara kusvika kuma 11pm
tichidzidziswa natete,takazondorar taita
kukiiwa nehope ende hapana akakwanisa
kutaura neumwe even though ndaida
kumbotaura naBee tiri 2 asi hope
dzakandikurira.Makuseni taifanira kuenda
kutown ndichiperekedza Bee
kundorukwa.Patakamuka ndini
ndakawaridza Bed but ndakashamiswa
ndichisangana ne diary yangu
pamagumbeze.Ndakashaya kuti ko
ndakaikanganwa sei sezvo ndaisada kuti
pawane kana munhu umwe zvake anoibata
thats why ndaigara ndakaiviga.
Ndakamboita stress ndichiti zvimwe tete
vambopinda mumba ndivo vaibata asi
ndakaona kuti dai vanga vakaverenga
havazi vainyarara vaitondibvunza
chete.Ndiripakati pekufunga ndakanzwa
door richivhurwa ndobva ndaviga diary
yangu fast,ainge ari Beauty anga adzoka
asi airatidza kunge munhu arasa
something.Akatanga kuringa ringa ndobva
avhenda pamagumbeze;

"Ko warasei?"

"I think ndakaisiya kumba,hauna


kumboona 10 mari here nguva yawanga
uchiwaridza?"

"Aiwa handina maybe wakaisiya


kumba.Wanga wakayiisa pai?"
"Andichanyatsoziva ini..Rega ndigoitarisa
kumba"

"But Beauty we have to talk"

Ndaitaura ndichipedzisa kuisa thrower


pabed.

"About what?"

"About yesterday"

"What about it Felly?.You want to remind


me how romantic was your.....

"Its not about that at all.Zvawakaita Beauty


zvekundirova nembama andin kuzvifarira"

"You pushed me Felly.Ndaisada kukurova


asi iwe kana unaTomas amheno
zvaunoita..Andisisiri mhandara i know but
sleeping or seducing your man is the last
thing i could do.Amheno iwe wakanditora
seyi wakundiudza zvemazamo ayiva
panze.The worst part kutaura nezvazvo in
front of Tomas unoda andiwone
seyi?.Sehureka iwe good girl paboys
high?"

"Its not like that Bee...


"It is like that my friend.Kana unaTom
unondivhairira shaa ahundiwonewo
semunhu.Humhandara hwandakabva
andina kuhubva nekuda uzive izvozvo so
stop judging me.Again kusava mhandara
kwangu doesn't mean kuti ndatova mai
muponesika"

Ndakawona kuti ndakanga ndakanganisira


shamwari yangu.Ndakakumbira ruregerero
ndokuvimbisana kuti ndaizozama kuitawo
zvisingamusvote kana tina Tom...
End of chapter 3
https://chat.whatsapp.com/JEfpsBfvlGS6VR
cQJ88Nmc

MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI

APP: +27610921330
AND

TJ.....+27610581531

CHAPTER 4
BEAUTY

Pandakamuka kuseni ndanga ndisisina


diary raFelly,moyo wangu wakarwadza
nekuti ndakanga ndafara kuti ndaizoziva
zvaiva mukabook aka.Pandakaona
avakuwaridza bed asingataridze kuti
panechanga awona ndakafunga kuti sezvo
tanga takagara musitting room,zvichida
ndaiva ndakasiya pamasofa.
Takataurirana naFelly ndojuzoyanana hedu
asi moyo wangu wakanga
woshungurudzikira kabook kake.Sevanhu
vaida kuzoperekedzana kutown takagadzira
ndokubuda.

"Eish sorry wenna ndikuuya bata apa"


Ndakadaro ndichimutambidza kabag kake
ndavakudzokera mumba..Ndakasvika
pandanga ndakagara manheru acho
ndokutanga kupidigurana nesofa.

"Ko urikutsvagei?"

"Oooh mamukaseyi tete..Ndafunga kuti


ndakasiya mari yangu manheru ndakagara
pano"

"Imarii?"

"Ten dollars tete"


"Wambobvunza Felly here?"

"Ati ahana kuyiwona.Yaingova mumazamo


imomu"

Ndakanyepera kubata bata mazamo angu


ndichiziva kuti hapana chandaitsvaga
zvangu.

"Ko iye aripi Felly wacho?"

"Ariko kunze uko..Tanga tavakutoyenda


kutown"
"Felly!!Felly! Felly iwe"

Vakadaidzira nesimba ravo rese Felly


akabva adzoka mumba.

"Ko umwe arikuti arikushay mari yake


ahuna kuyiwona here?"

Her: "Andina ini..Wani Bee wandibvunza


ndikati handina kuyiwona..Ukatoti pamwe
wakaisiya kumba kwenyu wani,wakudzoka
kutsvagana nemari mumasofa futi?"

"Chikuitika ndakatobva nayo kumba.So


ndazofunga kuti pamwe kuda yakadonha
pendaiva ndakagara ipo pano manheru"
"Mari ahingashaikweka sekuti inomera
makumbo..Yayendepi mari iyoyo nhaywe
Felly?"

Vakabvunza Tete vacho vaita


kumutarisa.Mupfungwa dzavo vakanga
vototi pamwe kuda ndiye anga aba mari,dai
vaiziva zvavo kuti chero kumba
ndaisatombova nemari yakawanda
zvekusvika ku10 us vaisambodaro.Felly
wacho ndakawona otarisa tete vacho
nekafesi kakapusa pusa.

"Mari ingashaikwa mumba munevanhu kuti


zvadii nhayiwe Felly?"
Vakabvunza zvekare apa vanga vatokwidza
izwi..Ahana chaakapindura Felly akapfurira
kubedroom,paakadzoka akanga abata 10 us
mumaoko.Akasvikoitambidza kwandiri
ndokumboramba ndakamutarisa.

"Tambira mari iyo Bee"

Vakadaro Tete vacho vachiitambira


pachezvavo
vavakunditambidza.Ndakaitambira
ndokuisa mubraa.

"Handisini ndatora mari.Asi kana kuri kuti


irimo muno ibva tichaiwana..Lets go Bee"

Akataridza kubatikana ndokubva tabuda


kuyenda.Tichangobuda moyo wangu
wakarwadza kuwona kuti ndanga ndatoita
mbavha yaiva pachena chaipo.

"Iam sorry friend.Togona kuzozviita


zverimwe zuva zvekurukwa zvacho
ndokudzosera mari yako.Ndozorukwa kana
ndaiwana"

"Its ok Bee..Irimo mumba mari


ichawanikwa.Ndozvakaipirawo chinhu
chisingataure,zvichitoda iripedyo chaipo"

Akatsinhira nekudaro moyo wangu


ukazorora.

"Ok thnx for understanding..Taizoidyirawo


kupi mari yanaTomy vekunaka netsoka
netsoka ava?"
" Watanga Bee"

"Iiih ndikufara kani askana.Ahundijaire


wakaitwa seyi Felly?"

Ndakanyepera kuti ndaifara asi ndakanga


ndatotaura mukurevesa.Takapinda mutown
ndikarukwa musoro nemari
yemarema.Pandairukwa ndaingofunga
nezvaVigie,ayizondiwona ndavane hair
style itsva.

"Wakafitwa Bee"
"Sure here friend?.Saka V achafara
pachandiwona"

"Who's V?"

"Oooh hatina kuzowana time yekutaura


about him zviyaka?"

Ndakabhadhara musikana akanga andiruka


tikabva tabuda.Felly akanga oda kunzwa
about this guy,sezvo ndaida kumutaridza
kuti i was now over her man.Ndakamuudza
kusangana kwandaiva ndaita
naVigilance..Kuti story iite romantic
ndakawedzera zvimunyu zvangu
nezvispice.Nhawu yekunyepa handiziv
chaiva chipo here kana kuti kwaitova
kutukwa naMwari?.Ndainyepa zvekuti kana
naiye satani akagadzira nhema
ndaitomukunda.Ndakanyepera Felly about
V.

"His car askana haaaa kana yaTom inosara


pasi chaipo"

"Wakukompeya manje,wanga wazviwona


riini Bee?"

"Remember munhu uyu ndakabva naye


kureka..So ndakacherechedza
everything..His kiss Felly ka ndakanzwa
sendotsva"
"Ohh my God..You kissed a man nezuva
rekutanga?"

"Yes why not?.Its not like tichimugore


ra1967 zvekuti mwana wevanhu anoita
seachapera muromo achinyenga babe
richiramb.This is 2021 Felly kana wada
munhu tell him,kwete kuswerokakama
kunge uya wekutumwa kuEgypt
naMwari..Anonzani zviya Thomas
ndizvoka?"

"Anonzi Moses aaah iwe wakupenga here?"

"Eheee iyeye chaiye"


Felly akamboseka hake
akanditarisa.Ndakayenderera mberi
nekumuudza nezvaVigie uye
ndakamunyepera kuti ndaitova nedate
naye.

"Shaaa nefirst day akandipa mari,hanzi


babe unorukwa uuye mutown wakarukwa"

"Wow haaa makapinda askana.Manje manje


menge mofamba nendege"

"Yah"
Ndakanyepa zvangu.Vigie anga asina
nekundipfimba zvachose,yes tanga
takisana asi hapana anga ataura neumwe
zverudo.Mumoyo ndaitogambudzika kuti ko
seyi akanga asati afona kubva zvandanga
ndapesana naye..Ndakanyepera nyepera
wangu sahwira akatobvuma manyepo
angu..Ko ini chero bhotoro ndosonaka
neshinda yehembe rikatotanga kushanda
panyowani. Felly ayimhanyira kudzokera
kumba takabva tapesana iye avakudzokera
ini ndokunyepa kuti ndaida kuzosangana
naVigie.Ndakasara mutown
ndokumbotenderera ndichitsvaga tsvaga
zvandaisaziva..Patova paya ndipo
ndakazotora matax ayizondinangisa
kuWarrenpark.Pekunanga chaipo
ndaisapaziva,moyo wangu waida
kuzosangana naVigie so ndiye wandaida
kutsvaga.Ndakapidigura Warrenpark yose
asi handina kutongowana chouviri.

"Ini wangu munyama handiziv


ndonougezepi?.Ko zvandarukawo wani
zvisvinu?.Runako ndinarwo saka
ndikurasikira papi chaipo?"

Ndaitaura ndega ndavakutofunga


kudzokera zvangu kumba.Ndaizoteedza
road kudzokera kuKambuzuma
netsoka.Ndakapinda mushop ndavakuda
kutenga frozen,sekunze kwaipisa plus
semunhu anga aneta nekutsvaga
zvaisawana ndanga ndarohwa
nezuva.Ndavakutobuda mushop ndipo
ndakawona Tom akapaka mota yake
nechepadoor chaipo..Kahana kakarova
zviya zvoita munhu awona chinhu
chanofarira.Ndakatomboruma kagunwe
nemuromo ndichiita munamato wangu
ndega.Ndaida kutozoyenda naTom kumba
kana zvaibvira.Nezvirukwa zvaiva
mumusoro mangu ayitodyira
chete..Ndakanonga step iya yevanoitwa
nevanoita modeling vachida kuzotora
mukombe ndakananga pamotikari
yake.Anga akakotamisa musoro
wake,pandakasvika ndipo ndakaona kuti
ayibaya baya fone yake.Ndakagugudza
pawindow akabva asimudza musoro
ndokudzikisa window.

"Ooh i thought uchavhura?"

"Kuvhurei?"
Akabvunza achinditarisa kubva mutsoka
kusvika kumusoro.Ahana kana kutaridza
kundifarira kana kufarirawo zvandaiva
ndakarukwa.Ndakambobata bata musoro
ndichizvonyongoka senyoka yagurwa
muswe iye achitofinyama zvake.

"Kuvhura door..Ndipowo lift"

"Yekuyendepi?"

"Kumba "

"Well andisati ndakuyenda plus


andisikubuda neikoko"

"Unozongondiyendesa hako kana wavafree


Tomy"

"Nope..Mybe ndopedza kwasviba..Iwe enda


zvako kwaurikuyenda"

"But Tomas seyi uchindivenga?"

"Andina kukuvenga Beauty..Its only that


iwe neni hatiwirirane asi kukuvenga
andina"
"Wotadza kuwirirana neni seyi? Iam your
girlfriend's friend"

"Yes i know..But kuva shamwari


yemusikana wangu azvirevi kuti watova
shamwari yangu.Unowirirana naBabe
wangu that's all"

Ndakarwadziwa nemashoko aTomy.Moziva


chero zvako usingafarire munhu telling her
pameso pake chaipo kuti andikufarire is
rude.Tomas anga avhaira zvake
apa..Ndakafunga amwe mashoko,semunhu
ayisapererwa zvekudaro ndakabva ndawan
zvekutaura zvekare.
"Iam sorry Tomy kana ndakakutsamwisa.I
even opologised to Felly akndiregerera.She
is the one atondip mari yekuti ndirukwe
pandashaya yangu"

"Oooh iam glad kana mazotaurirana"

"Yes tataurirana.So ndakukumbirisa kwauri


kuti undiregerere..I know ndakatadza
kurova msikana wako in front of you"

"Its Ok Beauty"
"Apa i was waiting for my boyfriend asi
ahasikusvika amheno abatwa
nei.Ndakutofunga kudzokera hangu"

"Ooh pinda hako ndozokuyendesa


kumba.Iam waiting for someone anosvika
manje manje tobva tayenda"

Ndakajambira mumota maTomy..Mota iyi


yanga inefantacy zvayo,ndanga ndanyepera
Felly kuti yaiva yakakundwa neyaVigie kuda
kumunzwisa moyo chete.Ndakatanga
kubaya baya fone yangu asi rimwe ziso
ndichipitsera pazip chaipo yetrouse
yaTomy..I was now imagining my
things,uyu ndikamubata ayigona
kuzokanganwa chero namai vakamubereka
apengeswa nechikapa changu.Ndakateedza
muviri wake ndokusvikombomisa maziso
pachest chake chaibudikira tumvere pashirt
yanga isina kuvharwa mabuttons ese..Ipapo
ndakanzwa moyo,pfungwa nemubhurugwa
kudairira ndikaziva kuti chakanga choshota
kwaiva kubatwa...Ndakateedza kusvika
kumeso,miromo yake ndeiya mikobvu
yakachekererwa nechekumapeto kwayo
zvekuti ukatanga kuikisa unogona kurasika
njere..Nekazino kepadivi ndakarumira
muromo wangu ndichitofunga
zvandaisimborota pamusoro paTomy.

"Yah we can go now"

Akadaro achitokwenya mota yake..


"Ko munhu wacho atouya?"

"Yes awuya..Ko pfungwa dzako dziripi


munhu asvika pamota akatotaura wani
neni..Ahuna kumuwona?"

"Ufunge ndikufunga zvakawanda"

"Zvinengei manje zvokutadzisa kuwona


munhu chaiye?"

"Tomy unoziva the way yaunoda Felly nayo


neyanokuda nayo inondirwadza..Felly
akandiudza imwe nyaya yekuti chero
ndikaifunga nanhasi hana yangu
inorova..Ndombofunga kukuudza nezvayo
asi ndowona sekunge ndinenge
ndakanganisira shamwari yangu..NaFelly
avamakore tichitamba tese asi.....

"Akakuudza kutii?"

Akabvunza acheukira kutarisa


kwandiri.Ndakamutarisawo ndisingabwaire
kana kutsinzinya,ndakapotsa padiki
kuswederera kiss ndakazozvidzora..

"Aaah sorry..Achakuudza ega.Let me not


cause troubles pakati penyu"
"Ukutaura nyaya yeyi Bee?"

"Felly anemudzimu Tomy"

"Mudzimu?"

"Yes,that's why uchiwona anonetsa chero


pakumupa kiss chaiyo..Paakandiudza akati
iye aka.........

Akafambisa mota yake asi avakutaridza


kutsmwa..Takasvika pakona asina
nechaanga ataura,akanga avakuridza nziyo
dzake mumota.

"Dzika"

"Ko wakundisiya pano?"

"Handiti wasvika pamba penyu Beauty?"

"Sorry hako Tomy.Iam also worried


neshamwari yangu,so i was just telling you
kuti kana tichikwanisa kumubatsira
timubatsire tese.Handiti unomudaka?"

"Yes i do love her"


"So lets help her"

"Tomubatsira seyi iye asina kutaura nhai


Bee?"

"I will talk to her first.Iwe usamubvunza


ndapota hangu,anonditsamwira or kuzoti
ndoda kukurambanisai..Musiye akadaro i
will see what i can do"

"Ok..Unondiudza kuti atikudii?"

"Ok..I will give you a call by tomorrow"


"Ok..Cool"

Ndakabva pamota paya mumoyo ndichioma


zvangu nekuseka.Ndakanga ndagona
kufonyora pfungwa dzaTomy hameno
seyiwo..Ndakafunga kuzomufonera
rechimangwana,kana ayizouya ayifanira
kuzosvika owana ndirini Beauty
chizvarirwo.Uyu ndiye wandanga ndaisa
pachirauro changa chasara kukanda
chirauro chacho kuti achidyire..Ndakafamb
zvangu zvishoma zvishoma ndananga
kumba..Pfungwa yaVigie yanga
yapera,nyota ndaida kuzoipedzera
panaTomy mangwana..Nhaka ayizotamba
nhova sepwere aripamusoro
pangu..Ndakadzimaidzwa kufunga kwangu
fone payakaringer..Yaitova nmber isina
zita..Ndakamboda kuignowa asi kamwe
kamwoyo kakati ndidaire.

"Hie"

"Hes kani..Where are you?"

"Iam home..Ndiyani wangu?"

"NdiVigie"

"Ndazvinzwa mhani kuti ndiwe but ndanga


ndichida kumeka shuwa"
"Aaaagh iwewe soo wazvinzwa sei?"

"Your voice riri sweet rakasiyana


nerevamwe varume hako plus hameno
zvangoita ropa rangu soo muviri wese
wangoti ziriririririi."

Akabva aseka hake horse voice rake apa


iniwo wacho ndainge ndoita kusekerera
zviri sweet nekavoice kangu katete-tete.
Haaa zvinhu zvacho soo, zvakangooma
kana urimusikana akanaka seni kudai
woshayawo mukomana wako. Ndizvo
zvaindipa kuitira Vigie ma action pamwe
aigona kundidawo, ndainge ndaita kuteya
misungo muiri kuna Tom nekuna Vee ende
ndaiziva kuti pauviri hwavo ndinohwina 1
wavo chete.

"Kundikwidza dhenge yemashanga ka uku,


uchanditadzisa kudzokera ku Vicfalls iwe.
Ndirikusvika kumba kwako manje manje
soo."

" Really thanks daaa....aagh day racho


richadoka mushe svika hako."

Ndakapotsa ndati thanks dady


ndikazoyeuka kuti hatidanane ndobva
ndazochinja statement.Akakata phone yake
ndobva ndamhanya kundogadzira pabed
ndichidira zvima perfume
zvinonhuwira.Ndakabvisa skin jean
randainge ndakapfeka ndokupfeka ka g-
string neka min skirt,kumusoro ndobva
ndapfeka guvhu out.Ndakabuda
mubedroom ndikaenda kuseating room
ndika sprayer zvinonhuwirara fast sezvo
kwanga kuchiuya munhu akakosha.Ndaiita
zvose izvi ndakatarisa kugate ndipo
pandakaona mota yake yamira kunze
kwegate,akaburuka ndokuenda kuboot
kwakubudisa Jerican ndokupinda mugate
netsoka. Zvakandisvota nekuti ndanga
ndagara ndavhura gate ndichiitira kuti mota
yake ipinde nxaa anenge aivawo slow
pakufunga Vigie wacho.
"Pinda hako usagogodza, ko wandivigira
petrol here?" Ndakadaro nguva
yaaigogodza pamusuwo akabva apinda
hake achinyemwerera kunge kamwana
karikubudisirwa zamo mubraa kuti
kayamwe mukaka.

" Gara zvako pasofa apo feel free Vee pano


pamba pamoti ini, i dont know why wasiya
mota kunze kwegate." Ndakadaro ndichiita
kunge ndirikudzikisa ka skirt kandaiziva
kuti kapfupi hakambovhari zvinja zvangu.
Ndakaona maziso ake avakutarisa chaipo
pandaida kuti aone, ndakanyepedzera
kunyara nhema ndichitora kapillow
ndikavhara zvidya zvangu.
" Bee wakanaka wena, ko ndaimboziva here
kuti ndozvauri kana wakapfeka soo."
Akadaro achigadzika jericani rake pasi. "
Haa ibva apa kunaka papi ipapa wava
kuwanza manje." Ndakasimudza pillow iya
ndichiibvisa pamakumbo kwakuzvivhara
kumeso nayo uku ndichinyara-nyara
ndichivhura- vhura makumbo.

"I am serious though, but anywhere handisi


kugarisa zvangu ndauya neJericani iri my
sister vachauya votora mangwana
makuseni vachibva kubasa. Ndifana
ndandoridzosera kumba kwavo but
ndazononoka kubuda mutown so now
vaenda kubasa vanoseenza pahotel usiku.
Ndichavapa adress yepamba pano handiti."
" Aaagh saka wakuda kutoenda here Vee,
ndanga ndafara ka ndichiti ndawana
anonditandadza i am lonely hako."

"Ko sei uchigara imba yese ino uriwega."

"Imba yamainini vangu variku SA saka


vakandisiira zvavo kuti ndichengete.
Havagari kuno vanogara kuSA ikoko nemu
South African wakavaroora."

" Inga hako hauna stress yerent "


" Chigara pasi kani ndikudirire juice."
Akabva agara ndobva ndanotora juice
ndikamupa kwakugara padhuze naye
ndichimubvunza bvunza zvimubvunzo
about his life.Kutaura kwake aiita kunge
asina kuroora asi aiva ne girlfriend yaigara
kuVc falls ikoko, handina kuita hanya nazvi
ndakaramba ndichimukwezva kusvika
ndarara naye first round pasofa ipapo
without protection. Mukomana ainaka iyeye
handidi kunyepa, hainatsa kudziya zvekuti
paakangouya pamusoro pangu ndakanzwa
ndavakuto gwina gwina.

Takati tapedza ndokutanga kumuudza


zvekunaka kwake akati naye apotsa afenda
nguva yandanga ndichimusunga ndikaziva
kuti ndapedza masports. Akazondotora
mota yake panze ndobva tarara usiku
hwese tichinakirana, akazomuka kubuda
kuma 3am achiti arikumhanyira kubasa but
chakandibhowa ndechekuti 4 rounds dzese
dzatakaita haana kumbobvira ataura kuti i
love you aingoti Bee unonaka.............

End of chapter 4
MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI
APP: +27610921330

AND

T.J.....+27610581531
https://chat.whatsapp.com/JEfpsBfvlGS6VR
cQJ88Nmc
CHAPTER 5

Felly

Bee paakandiudza kuti ava nemukomana


anonzi Vee ndakafara veduwe. Moyo wangu
waitonzwa kuda kusangana nemukomana
wacho ndimuzive but Bee haana
kuzondibvumira hake hameno kwaaiiti
anoda kuendeswa coz aingoti "arikuda
kuenda neni out ende mukomana ane rudo
iyeye aitondibvunza size yezvese
zvandinopfeka" Kutaura kwaaiita
zvairatidza kuti mwana wevanhu anyura
murudo zvese nemoyo nemapapu acho.
Nguva yanga yareba Bee asina mukomana,
ende isiri nyaya yekuti vaidanana
vorambana kwete but aisatombopfimbwa
kwacho. Uone kugeza kwaiita mwana wena,
kana ririvhudzi aingochegeta remumusoro
kumwe kwese aigera, dai muhapwa neku
onini kwaiiswa weave kana kurukirwa twist
Beauty aitosonera chete coz smart paiva
pamusha.

Well takaparadzana hedu inini ndakuenda


kumba iye akambosara mutown achitsvaga
zvima crunch zvekusungisa musoro wake
wanga warukwa,uone zvaanga arukwa
zvacho zvairembera zichivhara magaro
kunge muswe webhiza. Mukombi mandaiva
ndichienda kumba handina wandaitaura
naye ndiribusy kupa Bee malove nemalikes
mumoyo. I guess vanhu vaitopfunga kuti
ndirimbeveve chete, vakazonzwa inzwi
rangu ndavakuudza driver pandaidzikira.
Ndakasvika kumba ndikatanga kubika
sezvo tete vanga vasati vadzoka kuchurch
kwavanga vaenda. Ndichibika kudaro
ndakaisira mukomana wangu message
sezvo ndanga ndamusuwa, akandiudza kuti
achapfuura nekumba kwedu achizondiona.
Ndavakupedza kubika tete vakabva vasvika,
ko unongovanzwa vachirikugate nekuimba
masongs avo ekuRoma

"Nhasi manonoka kudzoka tete asi fata


venyu vauya?" Ndakadaro
ndichindotambira paper bag yema veg
yavanga vakabata muruoko. "Ndapedza
church kare inini mwana wehadzvanzi
yangu asi tazopfuura tichiona mai Muza
varikudziya dziya, mativigireiko
kudhorobha kwamadaro kumukira?"
Vanodaro tete vachigara pasofa. "Nothing
but ndine good news tete asi ndozokuudzai
ndapedza kubika." Ndakataura ndava
kutofamba kudzokera mukitchen
kundomona sadza rangu.

" Aaagh dzoka utaure good news dzacho


Felly kana kuti ndokuteera ku kitchen
ikoko." Vakadaro vava kusimuka vachida
kunditeera.Ko nyaya dziidiwawoka ipapa
but chandaivadira vaisava zvavo
nemakuhwa.

"Aiwa kani tete regai ndipedzise kumona


sadza nyaya yacho inoda takagara."
Vakabva vadzokera zvavo kundogara asi
moyo wavo wanga waita kurembera nekuda
kunzwa nyaya. Ndakapedzisa kubika
takanyararidzana sezvo vanga vava busy
kubaya-baya tv vachitsvaga zvekuona.
Handinawo kuzomira mukitchen
ndangangopedza kumona ndokupakura
ndikaenda nesadza redu kwaiva natete.

"Apa ndirikuzvinyepera handina


chandinoona chikapinda mumusoro
mangu..Tell me about the good news.Moyo
waita kumira nekuda nyaya" Vakadaro
pandakavatambidza plate yavo.

"Imbodyai sadza first".Ndakapindura


ndichiseka.

"Handingaridyi sadza rako kana usina


kundiudza."
Ndakaona kuti zveshuwa tete
havangatoridyi sadza racho ndikati regai
nditaure.

"Ndirikufara zvisingaiti tete."

" Felly chingoti ga-ga- ga mhani sadza


rangu rinozopora, urikufarireiko kudaro?"

"Beauty ava nemukomana."

" Hii shuwa here, mukomana atori bhoo


here?"
"Sekuudza kwaandiita anenge aribhoo
vakasangana paaibva kuVc falls."

"Zvinofadza shuwa kubva rini


achingodemba kuti vagoni hako Felly
unemukomana wako, but kana akangwara
ngaaite zviya zvandakamuudza ndiko kuti
azive kuti mukomana anomuda here kan
kwete."

" Manje mukomana wacho anenge


asingagari muno muHarare maybe anenge
ava kuzozviita next week ndichamuudza."

" Zvakakosha zviya mwana wangu chero


pakazowana chinoitika anowana
pekutangira"

"Ndomuudza mangwana"

"Horyt..Hiii ndafarawo chinobvira


here?.Kondiyanizve akugugudza tode
kudya sadza redu nerunyararo isu?"

"Anenge Tomy"

Ndakapindura ndichitoyenda kunovhura


kudoor.Ndakasvikovhura door ndikaona
ariiye zvechokwadi Tomy anga auya.
"Hey babe"

"Ndyp"

Tete: "Eeh titambireka


bamnini..Matiunzireiko,ko Felly ahutambire
vamwe wakaita seyi?"

Tom: "Vana vemazuvano tete motoshinga


kuraira.Avatambiri ava" Anodaro achiseka,
ndakaona kuti its too late nditambire nekuti
tete vanga vava kugadzika ndiro yavo
patable kuti vatambire.

Tete: "Zvokwadika ndatozviwona.Chokwadi


kudaro murume anenge auyawo
netunonaka,mukadzi oyita sekuti ayigirwa
zvinhu zvoruma..Isu vedu varume
taitambira tichideketerera
nemutupo..Mangwana wayiunzirwa
zvawanda kana saga razvo chairo rayiuya"

Kana tete vachitaura vaiita vachipa


kaexample.Izvozvi vakanga vapfugama pasi
chaipo vachiombera nekutambira plastic
ranga rauya naTom.Ndaigara ndakaudzwa
naTete kuti munhu anotambirwa asi apa
hameno ndakavarairwawo nei.Tom akagara
pasi avakubvunzana hutano naTete ini
ndanga ndatova busy kumugadzirira
chikafu kuti adye.Ndaiziva kuti mukomana
wangu ayigara ega saka akatouya kumba
anenge anenzara,mongozivawo vakomana
vanehunyope hwekubika..Takatandara
naTete vakabva vazotisiya zvavo
vavakuyenda kunorara.Hatina kuzogara
nguva refu Tomy akafonerwa neshamwari
yake tikabva tabuda tese kuyenda panze.
Mukomana wangu airatidza kuti ane
something chirikumunetsa chaaisina
kundiudza but handi kumubvunza
hangu.Takatomira pamota yake Bee
akandifonera.

"Uripi Felly?"

"Ndiripo pamba"

"Urikuiteiko asi Tom auyako kani?"

"Aiwa ko hindava?"
"Never mind ndichasvikako mangwana
nhasi ndine vistor"

"Ok dea" Ndakangopindura hangu but


ndaisha kuti ndiyani anga ashanyira Bee
usiku hwakadaro.

Tomy pandakangomuudza kuti Bee anga


achifona akabva apinda mumota make
akayenda.

Sezvo Bee anga arikuuya mangwana


ndakabva ndaenga kundogeza
kwavakurara. Zuva racho raiteera
ndakamuka ndikaswera ndiripamba pasina
kwandaenda, Bee akazouya ava manheru
chaiwo, paakasvika airatidza kuva
nemufaro chaiwo achiimba kasong kaya
kemushakabvu Tuku kekuti; Nhasi
ndezveduwo itai makorokoto-korokoto
kwatiri! what what here handichanatsi
kuziva mberi kwacho. Ndakaramba
ndakamira kunze kwegate ndakamutarisa
ndichinyemwerera apa majaivhi acho
aairova chero baba Harare varikutamba jiti
havadaro.

"Nezuro wakandivanzira ka iwe Tomy


aivapano chete"

Ndizvo zvaakasvikotaura asati


atondimhoresa.

"Nei wabvunza?"

"Matsimba emotokari yake ndomaziva"


Ndakabva ndatarira pasi ndokuona
zveshuwa mavhiri emota yake aioneka
achibuda pagate.

Moziva ndakamboseka zvangu.Bee


ndaishaya kwaiva kukurira kumamisha
kwaimudariso here kana kwaitova
kungwarira paduri sehuku..

"Wakamaziva seyi matsimba emotokari..Ko


kana ariemumwewo munhu?"
"Anenge ani kusiya kwaTomy?"

"Hama yaTete kana shamwari yavo


yekuchurch"

"Haiwaa matsimba emotokari yaTomy


aya..Ariseyi zvake?"

"Aribhoo aitokukwazisa...Tell me how was


your date naVigie..Did you guys enjoy i
know ndiye akakushanyira chete?"
Ndaidawo kuziva nezvake handiti aidavo
kuziva zvangu.
"Shaaa ngatipinde mumba
ndikuudze.Ndizvo zvandatovinga
kukuudza" Ndakasekera mumoyo chaimo
ndichimuseka zvangu coz hana yake
yaisachengeta secret.

Takadungamidzana kupinda
mumba.Ndakatoziva kuti husiku hwese
ndaizorara ndichizuwirwa naBee. Ndakaziva
kuti aitozorara pamba nekuti ndoyaiva tsika
yake kana anenyaya aharare kumba
kwavo.Takasvikogara musitting tavakupisa
nyaya manje.

"Mukomana anorova chikapa zvake


iyeye..Unoziva ndaingonzwa kuti
kunevarume vanokurunga zviunu
ndichiramba..Ndakazozvionera"

"Hooo wait wait Bee" Ndakamugamhira


padenga chaipo.Nyaya yechikapa yanga
yanditenderedza musoro.

"Are you saying wakatorara


naye?".Ndakabvunza asi maziso aBee anga
atondiudza mhinduro nechekare.

"Yes why waiting nhaywe?.Worse iye


ayidawo neni ndichidawo vakomana
vemazuvaano ukavanyima panonoka
vanokusiya wakasvinura sedemba
remuKaribha. Akabva aseka zvake
achipukuta dust mumakumbo ake
nekatauro kaaiva nako.
"Bee but you promised kunatete kuti
ahuzofe wakarara nemukomana zvekare
worse asina kukuroora"

"Yes i know,but panaV ndotoziva kuti


achandiroora..Mwana anoita zvake
iyeye..Husiku hwese ndichishandurwa
sechibage chirikugochwa ndakapiwa size
inondikwana handidi kunyepa. Ivo tete
kutirambidza kwavanoita vanoziva kuti
zvinonaka, ndini ndadini hangu Adam na
Ever wani vakanga vazvirambidzwa
naMwari mumunda we Eden
pavakazozviravira havana kuzozvisiya.
Ndaizonyunguduka paindiudza manakiro
angu ndaibva ndaita manyawi ndotanga
kutenderedza chiono changu irimukati
zvikati akatakura ino last number yehupi."
Aidara achienzanisa size yacho nerwuoko
rwake, wanike ini handichagoni kana kudini
nekusvotwa ndaiita kufinyamisa kumeso
kunge munhu arikudya mhengo mbishi.

"Iiih Bee ini nyaya dzako idzi i think ndaita


mutete..Just keep your story to yourself"

"Why,are you jealous coz hausati


wambozviravira ka?"

"No but ndirimwana mudiki for nyaya


dzezvikapa nedzekunaka idzo"

"Haaaaiwa ibva apa.Ndiyo reason ichaita


usiiwe naTomy iyoyo..Kusunga zvinhu
seunopenga..Kuchauya vanopepeta chiunu
uchasiwa naTomy wako iyeye ndotokuudza
kudai" Akabva abheja achibatanidza
zvigunwe zvake zvemaoko.

"Kana akandisiira kuti ndaramba kurara


naye anenge agara asitori wangu..I am not
that desperate i will only open my legs for
him kana ndavakumba kwake"

"So you are saying ini ndiri desperate?"

"Sandizvo zvandataura.Ndikutaura for my


side not yours, umwe neumwe anoita
zvakamunakira" Ndakadaro nekuti ndanga
ndatoona kuti munhu wacho haatsiuriki
taitozopedzisira tatsamwisana.
"Ooh ok good but ndine imwe nyaya
yandoda kukuudza semusikana kudai.
Panemunhu anobatsira wandoziva we can
go to her timbonzwe kuti vakomana vedu
ava ndivo chaivo here"

"Beee watanga..Vanhu ivava


unovanzwepi?"

"Arimulocation muno iwe usatya mhani"

"Enda zvako ini bodo"


Takanetsana nenyaya yekuyenda
kumuporofita naBee.Ini zvezviporofita
ndaisatenda mazviri saka ndaisada
kuyenda.Ndakazoguma ndabvuma sezvo
Bee anga ademberera uye kaizoita
kekutanga nekuguma kuyenda ikoko.Tete
vakadzoka kwavanga vaenda
vakakorokotedza Bee nezvemukona
wake.Takabetsera kubika naBee musi uyu
tichingotaura nyaya tichiseka zvedu.
Patakandorara akatanga kundionesa
zvaaita kuna Vee but zvaisava mumusoro
mangu ndakangozobatirwa nehope .

Takamuka kuseni Bee akati ndaizomuwana


kumba kwavo ane zvaida
kunopedzisa..Ndakagadzira
ndokupedza.Bee anga anditi kunoyendwa
nekagubhu kekuzoisirwa muteuro so Tete
vakabva vapinda ndichitsvaga kagubhu
kaya..

Beauty.

Kuyenda kwakaita Vigi ndakasara moyo


uchinzwa kumuda.Dai ndaiva nekakomana
kaizopedzisa kundikwenya ndaizosva
ndayenda kunopedzwa havi yanga yasiiwa
naVigie,yaisava zvayo havi yekuti haana
kundigutsa but hameno zvandaingonzwa
kuzasi kwangu. Zuva iri mukushaya
zvekuita ndipo pandakafunga kuzoyenda
naFelly kwandaiziva kwandaida kuti
mukomana wake atiwone tiriko sezvo
ndanga ndamuudza kuti ane
mudzimu..Ndakafonera Felly mukudoka
kwezuva ndokuyenda kumba
kwavo.Chakandirwadza ndichisvika pamba
pavo ndakatoona matsimba emotokari
yaTomy.Akamboda kuti pamutondo
pamusasa asi ndakamudzvanya kusvika
ataura chokwadi.

Pandakamuudza nezvaVigie akatanga kuita


sekunge mai muparidzi varikuparidzira
mayouth emusvondo mavo.Ndakasvotwa
nekundijaja kwaakanga oyita ndikachinja
nyaya.I convinced her kuyenda kwandaida
kuti tiyende.Ikoko ndiko kwaizopedza
hukama kwake naTomy manje kana
akazungaira..Ndakamuti atakure kagubhu
kandaida kuzotaridza Tomy ndomuti kaiva
kemushonga wandaireva wemidzimu yake.
The following day ndichimuka ndakabva
ndayenda kumba ndaida kuwana mukana
wekunatsakufonera Tomy ndomuudza
paizotiwana zvose nenguva dzacho but
ndaida kuti aite
zvekuhwandira.Ndakasvikomufonera akati
akanga avamunzira kuuya,ndakafonera
Felly naye akati akanga avamunzira
ndikamuti tisangane pa Kambuzuma high.
Ndakabva ndabuda ndokutanga kufamba
ndichiimbirira zvangu nemufaro. Mumoyo
ndaingoti kana Felly arambwa ndaida
kuzodanana naTomy vose naVigie.Vaviri
ava ndaida kuzovachinjanisa kusvika Jesu
adzika hamenowo pauviri hwavo
aizondiroora.Nekakusimbirira kana Tomy
akafita kunaka zvekukanganwa kurega..Ko
vakomana vakati simbei ndivoka vanogona
kunatsoita zvekut unokanganwa kana hama
dzako dzose..Ndakasvika pachikoro Felly
asipo.Ndakamufonera zvekare akati akanga
ouya,ndakazomuraira pamba pacho sezvo
paisarasa zvapo..

Takagara kukanganwa asiFelly ahana


kubatika.Tomy akauya akamirira kudzamara
avakupopota pafoni sezvo anga
akahwanda.
"Saka wandifambisira mahara, sei
uchingonditi mira handiti wati ndofana
kuzvionera pamhino sefodya.?"

Ndakafonera Felly neni ndavakutosvotwa


kuita sendicharutsa.

"Ko nhaiwe uchipi?"

"Sorry friend..Ndarambidzwa naTete"

"Haiwa wakapusa..Saka watadza kuita plan


semunhu mukuru here?"

"Sorry Bee..Ita hako iwewe ini


ndarambidzwa and i cant do it behind my
aunty's back.Zvikazondiomera mangwana
ndozoshaya wekuudza..Sorry Bee"

Ndakaridza zitsamwa ndichikata fone


yangu. Ndakabuda ndikaenda kwaiva
naTomy ndobva ndamuudza kuti Felly
azokundikana kuuya nekuti azononoka
kumvura kwavanga vaenda kundoimbira
midzimu yekumba kwavo. Tomy
akangonditarisa akabva atopinda mumota
make kwakuyenda.Ndakasara ndakapusa
kudaro.Ndanga ndofunga imwe way
yaizoita ndibudirire.......
End of chapter 5.

*Plz share*

MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI

APP: +27610921330
AND

T.J.....+27610581531
https://chat.whatsapp.com/JEfpsBfvlGS6VR
cQJ88Nmc

CHAPTER 6
Felly

"Tete mamukasei nhasi?"

"Ndarara zvangu wararasei? Ko zvaunenge


wachena chena urikuda kuendepiko?"

"Ndirikuda kuenda kumba kwa Bee rwendo


rwacho takazohuronga usiku ndanga
ndichiti ndichauya kuzokuudzai ndava
kubuda."

"Hiii Felly mwana wangu kubva wada


kubuda usina kana nekusuka asi Bee
wacho atoenda kani?"

"Ehe amukira kuenda uyu regai ndisuke


fast ndobva ndabuda."

"Ok zvakanaka but ndanga ndichida


kuenda newe kuRoadport kundogashira
order yangu irikusvika nhasi
vachandifonera anytime from now."

"Ok tete." Ndakadaro ndava kuenda


mukitchen. Tete vaiita business
rekutengesa hembe but mazuva aya vanga
vakagara nekuda kwe stock yavo yanga
yapera plus lockdown ndiyo yainge
yambovawisira pasi. Ndakasuka ndiro
dzangu fast uku Bee achiita kunetsa chaiko
achindibvunza kuti wavepi
ndichingomupindura kuti; ndava kuuya
here? Ndaingomuti ehe ndavakuuya nekuti
ndaisambopedza time ndichisika dzaingo
ndiro shoma-shoma. Bee airatodza kuva ne
care neni that's why ndaisateerera
zvaitaurwa naTom kuti hee shamwari yako
what what, dai aisandida haazi aimbouya
nepfungwa yekuenda neni kumunamato.
Uyuwo Tom hameno kuti chii changa
chamubata musi uyu, ndanga ndajaira kuti
makuseni oga-oga Tom anomuka
achindifonera but musi uyu anga asati
afona saka pandakapedza kusuka
ndakabva ndamufonera.

"Hes my love wamukasei?" Akadaro


achipindura but voice rake raiva pasi.

" Asi muchakarara kani nhai Mhukahuru


yangu?" That was my first time
kumusheedza nemutupo ndaingonzwa tete
vachiti varume vanozvifarira ende chaiva
chokwadi ndakanzwa mapindurire aakaita.

" Wooow nhasi wandinakidza wena ko


wambozvifunga sei?"

" Aaaagh zvinobvunzwa here izvozvo nhai


dady, murikuitei henyu?"

" Nothing ndiripamba hangu iwewe uripi?"


" Pamba but ndikuda kubuda now kuenda
kumba kwaBee."

" Ukundoiteiko kwana Bee makuseni ano?"

"Pane kwatirikuda kusvika but hatisi


kundogarisa hedu."

" Ok my love thanks for calling."

"Ok honey ndanga ndatoshaya kuti why


kusaifona nhasi."

"Kumbodawo kufonerwa ka nhai."

"Haaaa saka ndagona handiti, byee byee


babe totaura soon."
Ndakakata fon yangu ndokutora ka empty
bottle kangu kekundoisirwa munamato,
ndakaoneka tete but pandainge ndava
pagate vakandisheedza ndikadzokera
mumba."

"Ko kagubhu kangu urikuendepi nako?,


ndozonetseka kana ndava kundotengesa
ndichishaya pekuisira mvura yangu
inotonhorera."

"Ndikuda kundoisirwa muteuro wangu tete


ndozokutsvagirai chimwe nekuti ndogona
kubuda ndisina ndikazochishaya munzira"
" Hezvoo urikuda kundoisirwa muteuro
wei?"

Ndakavaudza nezvemuporofita wandanga


ndaudzwa na Bee but tete vakazviramba
hanzi "zera rako iroro watadza
kuzvipfugamira nemabvi ako here
uchinamata maporofita ndeeyi?"

" Kungonzwawo ka kuti vakomana vedu


ivava havazotirasisi here plus kusimbisirwa
rudo rwacho."

" Haa tibvirepo apa,


ndozvamurikutonyengererana henyu
izvozvo ndopamunondosvika mochiviwa
nemaporofita enyu ivavo vavakukupai
muteuro wekuti muvade. Ooogh vanhu
vebhazi vavakufona mira ndinzwe kuti
varikutii." Vakadaira phone yavo ndikanzwa
vavakuti tirikuuya kwakukata phone.

"Hande kuRoadport hanzi bhazi rasvika."


Vakadaro tete vachipinda mubedroom
mavo kunotora handbag yavo, ndakasara
ndakangomira ndisingachazivi kuti ndoti
chii kuna Bee apa anga atondimirira. " Ko
uchakamirirei buda tiende?"
Takadungamidzana natete kuenda
pataiwanira makombi. Bee akazofona tava
mukombi ndikamuudza kuti handichauyi,
haaana kufara nazvo but ndainge ndisina
option taingozozviita rimwe zuva.Tichisvika
kuRoadport tete vakabva vasangana
neumwe mukomana waivatakurira hembe
dzavo vachienda nadza kwaMurehwa cross
kwavaidzitengesera ndobva vati
tavakutoendako tozodzoka
Manheru.Patainge tavapfuura kwaBhora
Tom akabva afona;

"Hesi kani murume wangu." Ndakaona tete


vanditarisa ndobva vanyemwerera apa inini
ndanga ndisisagoni nenyadzi nekuti nguva
zhinji ndaisada kudaira call yake pamberi
pa aunt. "Yes Felly urukupi?"

"On my way kuenda kwaMurehwa."

"Ko zvawati urikuenda kumba kwaBee


wani?" Mataurire ake akabva aratidza
kunge munhu akatsamwa.

" Yes my love but ndazonzi natete


ndivaperekedze ne stock yavo."
" But babe i want to be honest to you, if une
something chaurikundivanzira zvogona
kuzovhiringidza rudo rwedu." Hana yangu
yakamborova ndikamboita kanguva
ndakanyarara ndichishaya kuti zvaari
kutaura zvabvepi ndipo pandakatanga
kufunga about my diary yandainge
ndakawana pabed musi wandakarara
naBee.

" Ko wanyarara wani ndiudze chokwadi


Felly."

" Murikuda chokwadi chekutii dady.?"

" Ndati uripi?"


" Ndirikuenda kwaMurehwa sorry handina
kuzokuudzai, hold on mutaure natete. "
Ndakadaro ndichitambidza tete phone,
vakaitambira vachibvunza kuti; "kwakanaka
here?" "Taurai nabamunini venyu tete."

Vakatanga kutaura achivabvunza,


pavakapedza vakabva vakata phone
vakandidzosera. " Hanzii?" Ndakadaro
ndichienda online kuti nditaure naBee.
"Angobvunza kuti murikupi uyu maybe
inyaya yekuti hauna kumuudza."
" But haasizviiti wani tete plus patabva
kumba ndanga ndisingazivi kuti tichauya
kuno."

" Dont worry Felly unozondomuona


tadzoka."

Handina kuzodavira nekuti ndanga


ndavakutaura na Bee pawhatsapp.

"Bee ndokumbirawo kubvunza?"

"Bvunza"

"Ko wakaudza Tom kutii?"

"Pamusoro pei nhai sahwira?"

Ndakashaya kuti ndotii ndobva ndabuda


online. Patakasvika paCross tichiburutsa
hembe Bee akazoita zvekufona.

Me: Hello.

Her: i am worried now ko urikutiiko?


Me: Nevermind Bee.

Her: No my friend tell me whats going on?

Me: Hauna kumbobata diary yangu here?

Her: Ummmm handina inini kubva paye


pandakakuwana uchichema wakaibata
ndikakubvunza kuti mudiary mako munei
ukarega kundiudza wakambozonzwa here
ndichikubvunza.

Me: Ok shaa no problem.

Her: Ko hanziiko naTom wacho, handiiti


urikuona ka zvandaitaura kuti hande
kumunamato pamwe mamhepo
arikusimuka. Inini atondifonerawo akanditi
una Bee here ndikati haako kuno akati
akushaya kumba ko umbori kupiko?
Me: Ndayenda natete will be back
tomorrow.

Her: Ok.Kuri kuti mudiary munei Felly?.You


know you can always count on me

Me: Not now Bee.

Bee akati achataura naye asi kana


ndadzoka ndiyende nekumba tizobatsirwa
but ndisaudza tete. Ndakakata phone
ndikadzokera kushop kwaiva natete
ndokutanga kupeka hembe dzavo.
Tichipedza muridzi weshop akabva ataura
natete kuti ndimbofana kumubetsera sezvo
musikana aishandapo anga aenda kumusha
kwavo kunhamo. Ndakapererwa henyu
mufunge nekuti ndaisada zvese izvi, moyo
wangu wanga wavakuda kudzokera
kuHarare ndinotaura naTom uye ndoenda
kundonamatirirwa zvichida Be aiva right
nyaya yemamhepo yaanga ataura. Kuti
ndirambe futi kusara pashop zvaisaita
nekuti mukutengesa kwaiita tete ndozvaiita
kuti tirarame saka ndainge ndisina option.

Tete vakadzokera ndikasara ndiripashop,


ndakaudza Tom asi ayitaridza kuti ariku
doubter ndikasvika pakumukumbira kuti
kana zvichibvira auye kwaMurehwa kwacho
azondiona asi akati aribusy nebasa rake.
Manheru emusi uyu ndakafonerwa nasisi
vangu vainge vakaroorwa kuKwekwe
vachiti tofana kuzoenda kumusha kwedu
kwaMutare timbondosakurira makuva
evabereki vedu avo vainge vakashaya vese
tikasara tichichengetwa natete. Ndakabva
ndatovaudzawo nezvekunetsana kwatayiiita
naTom vakati zvinogona zvichikonzerwa
nekuti tava nenguva tisina kumbosvika
pavakaradzikwa uye ivo hameno kuchurch
kwavanga vakaudzwa
nezvazvo.Ndichipedza kutaura nasisi
ndakatanga kushora tete mumoyo mangu
nenyaya yekundirambidza kwavanga
vandiita kuendawo kuzviporofita. Ndakaita
3 days ndisati ndadzokera kuHarare apa
phone yangu yainge yapera moto sezvo
ndanga ndasiya charger kumba apa yanga
yagara ine problem yekuti yaisacharger
nemamwe macharger saka ndainge
ndatova nemazuva ndisina kumbotaura
naTom.....
Beauty

Ndichiparadzana naTomy ndakabva


ndafunga kuenda kumba kwana Felly but
ndakatanga kuenda nekumba kwangu.
Ndichangosvika pagate Vee akafona,

Me: "Hes kani." Ndakapindura ndichishaya


kuti ndomusheedza kuti my love here kana
ndotii.

Him: "Hes Bee urisei zvako?"

Me: "Still ok kukusuwa zvangu."


Him: " Watanga manje ko wasuwei?,
uchandirovesa nemukomana wako."

Me: "Hezvoo mukomana wangu ani umwe


kunze kwako?."

" Haa ibva apa...(Akabva aseka)...you like


jokes handiti? Anywhere urikumba here?"

Me: "Yes i am home alone, why uchiti


ndofarira majokes urichii changu iwewe?"

Him: "Nevermind, my sister varikusvika


manje manje kuzotora Jericani riya."

Me: "Aaagh usati nevermind ka ndidaire


kuti urichii changu."
Him: "Unoerei Bee?"

Me: "Mhofu."

Him: "Mhofu, Mhofu ummm let me see...


ndirimuzukuru wako nekuti ndina sekuru
vakaroora Chihera."

Me: "Vee usaita ma funnies shaa you know


how much i love you iwe hako wototaura
zvisina basa."

Him: "Handizivi inini kuti unondida


takambotaura zvekudanana here?"

Me: "Saka why wakarara neni?"


Him: "We wanted to Bee.Saka kurara tose
kwatakaita tatova murudo here?.Coz takaita
sex nekuti tese taida and ndiwe
wakandiseducer"

Me: "Zvekushandisana ndozvisiri bhoo Vee,


dai waisada kurara neni kwacho
waizokurura bhurugwa here apa takaita
pasina kudzivirira futi ko ndikaita mimba
ndoti ndeyani?"

Him: "Haumboiti nhumbu Bee ukazoita


mimba totangira ipapo, let me just say we
are friends with benefits."

Me: "No Vee but hazvisi fair."


Him: " Byee Bee tozotaura rega ndimboita
basa."

Akabva akata foni yake,munoziva ndakaita


kupererwa chaiko ndichishaya kuti
mukomana uyu arikufungei chaizvo. "Ko
inga wani zvandakamuvhurira 180 kunge
ndichadambuka tsinga, chii chaizvo chaari
kushora kwandiri? Ummm apa pavakutoda
kuti ndimire semukadzi chaiye ndototsvaga
chekuti ndimudyise, hameno achatanga
pauviri hwavo naTom nekuti ndikapusa
chete ndogona kuchembera ndisina
murume.Vezera rangu vamwe vatova
nevana vaviri inini ndichingori panzvimbo
imwe uye ndisina kana mukomana
anondivimbisa kundiroora sezvirikuitwa
Felly "
Ndaitaura ndega ndakamira
pamusuwo,ndakabva ndadhinwa
zvekushaya simba rekuenda kwana Felly
ndokundozvikandira pabed ndikarara.
Ndakazomutswa ne call ya Felly achibvunza
kuti ndaudza Tom kutii,ndakarohwa nehana
ndikati zvimwe Tom andotaura zvandanga
ndamuudza ndichibva ndamufonera.

Him: " Hello"

Me: " Why mune chifuva baba imi ko inga


wani zvandataura kuti mukamuudza
zvandakakuudzai anotoziva kuti ndini?Now
akundifonera"
Him: "Ndamuudza kutii?, handina
zvandataura inini ndangoti chii
chaurikundivanzira."

Me: "Saka arikunyumwa coz anoziva kuti


ndini ndinoziva nezvemudzimu wake ipapa
watonyeperwa kuti ndirikwa Murehwa
varikumvura kwaanenge achiimbirwa
nekudzanirwa."

Him: "Bee zvaurikutaura izvi ichokwadi


here?"

Me: "Ko ndinganyeperei nhai Tom?, inini


handidi kuti umurambe but ndoda kuti
uzive chokwadi chete kuitira kuti
paunozomuroora wobva waziva kuti ndiwe
uchaita makumbi wake."

Him: "Mashura angu, ndiri muchristian ini


handiiti zvechivanhu."

Me: "Hameno kuti uchadini but please


usamuramba handiti uchiri kumuda ka?"

Him: "Yes i do love her."

Me: "Kana zvichibvira svika kuno pane


imwe nyaya yediary rake yandoda
kukuudza."

Him: "Ok Bee ndokuudza ndava munzira."


Pandakakata phone ndakaita kuguta
nemufaro,ndakabva ndabuda kuenda
kumba kwababa vaya kuti
vandondigadzirira mushonga wekudyisa
mukomana kuti akude . Ndaiziva kuti Tom
anofarira nyama yemukati ndiyo yandaida
kunatsa kumubikira ndosanganisa
nemufuhwira.........

End of chapter 6
MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI
APP: +27610921330

AND

TJ....+27610581531
https://chat.whatsapp.com/JEfpsBfvlGS6VR
cQJ88Nmc
CHAPTER 7

Beauty

Munzira mose ndaimhanya kwete


zvekufungidzira.Kuita sebhiza
riripamugwazo chaipo.Ndakasvika
ndikataura nyaya yandanga ndafambira
ndokudzoka ndichingoisa munamato
wekuti Tomy asvike ndapedza kubika kana
kuti azokwanisa kumirara zviibve. "Anomira
chete,nguva yese yatichaita sex matumbu
anenge achiibvawo plus haarambi kudya
nekuti patinopedza kunakirana anenge ava
nenzara." Ndaitaura ndega zvangu
ndakananga kumba,
ndakasvikoisa nyama iya pamoto
ndokuyenda kunogeza.Ndaizodzoka
ndokanga kanga zvangu ndapfeka zvaizoita
kuti Tomy atorwe moyo nekunditarisa
chete.Ko zvidya zvitsvuku
anozvizivirepi?.Ajaira kuwona zviri
murokwe refu refu rinenge rakapfekwa
naFelly.Kuchengetedza zvidya kudaro
kunge zvichashisha.
Ndakamborova kachikweee chaiko ndega
mubathroom semunhu ayiita makuhwa ega.
Ndakapedza kugeza ndokunopfeka kashort
kangu kaigumira panotangira
magaro,pamberi pacho paiva pakabvaruka
bvaruka zvekuti waitoona pant randaiva
ndakapfeka mukati..Dont blame me ko
handiti ndiyo fashani yakauya nevarungu
here?.Alongside summer time.Ndakapfeka
bra rakasimudza mazamo angu kuita
seacharova kumeso,ndakazoisa katop
kaiva kasina maoko uye kanga kari kasee
through zvekuti wayiwona pakatangira braa
neparinoperera.Kumeso ndakazvipoda
ndokusunga musoro wangu
zvandaiwanzoona mumafirimu aya
emanigerian.Ndakayenda kukitchen
ndavakunokanga kanyama kangu uku
ndichiimbirira nziyo dzechitendero.Ko
ndaigotadza nei kurumbidza iwo mapodzi
ayizowira kunesu anaBee tinehari zuva
iri?.Ndakakanga kusvika nyama yatsvukira
ndokuzodira mvura iya sekurairidzw
kwandanga ndaitwa.Ndakambovhara kuti
zvishinyire ndikadzora stove yangu.Mumba
mose manga mazara kamwe kakunhuwirira
kekuti chero anenzara ayitozoda kudya
chete..Ndakanogara zvangu
musitting,kutoturikidzanisa makumbo angu
uku ndichipara para nzwara dzangu
nekudzizora imwe qtex sezvo yanga iripo
yanga yonyadzisa plus my dream boy was
on his way.

Nditori pakati pekuzvigadzira nzwara


dzangu ndakanzwa hooter
kugate,ndakatoziva kti akanga ariTomy
anga auya.Ndakasimuka
ndokumbozvitarisa tarisa,ndakatenderera
ndichitaura ndega nekugadzirisa braa kuti
rimire zvakanaka.

"Today is the day Tomy.Nhasi ndoda


kukupakurira bonde zvekuti unobva pano
wavakuita rekudzvova..Felly you are going
to kiss goodbye Tomy ayenda nesu isu
anaBee vanemagaro nezvimiro zvakanaka"
Ndakanga ndavakutopenga.Ndakapatiswa
nehooter kugate zvekare yakaridza
kepiri..Ndakanonga step ndavakunanga
kugate kuya. Pandakavhura gate
ndakashamisika kuona mota
yandaisaziva..Hazvaigona kuti ive
yaTomy,nekuti chero zviome seyi Tomy
ahakwanise kuaffoder this Ranger type of
car.Ndakayenda paiva neuno mudzimai
ayitaridza kuti ayigeza mvura ichikwana
munyama dzake.Kana ririganda rake waiti
pamwe abva kuisirwa rekacheche kazvarwa
nhasi apa kari kapremature
zvekare.Ndakambotorwa moyo nemudzimai
uyu,zvipfeko zvake,mota yacho yaifamba
nayo zvaifadza kana satan nehanzvadzi
dzake.

"Makadii?"
Ndakabvunza iye ndokutanga anditarisa
achikwidza neni kubva kuman'a kunobata
panhongonya.Akabvisa magirazi ayiva
akapfeka ndokuzondidaira.

"Tinofara.Ndingaonewo msikana anonzi


Bee here?"

"Ehe ndini"

Ndakapindura ndichidongorera mumota


mavo ndichifunga kuti pamwe
panechakanaka chavanga vandiunzira asi
hapana chandakaona.

"Ok.Ndatumwa pano na Vigilance ati


ndizotore Jericani hanzi akasiira imi"
"Ooh ok..Ndimi sisi vaVee,pindai zvenyu"

Ndakavavhurira nzira kuti vapinde


mugate.Moyo wangu wakafara chaizvo
kusangana nehama yaVee,ndakavatarisa
ndikawona zvedi vaiva vakaita
kakufanana.Badzi sisi vacho semunhukadzi
vanga vakazonyanya kunaka
zvavo.Ndakaona kuti family yevanhu ava
inenge yaiva nemari..Ndaitofanira
kubatisisa apa nekuti hapana mudzimu
wakambopa kaviri izvo azviite.Takapinda
hedu mumba ndokuvati vagare pasi
ndaizouya nejerican ravaida in few
minutes.Ndakadzoka ndokuvapa.

"Thanks.Ndatomborasika ndanga
ndavanestress"

"Ko marasika seyi panhu pachena chena


pakadai?.Vee akapasvika nezuva rekutanga
ahana kumborasika"

"Aaah vakomanaka avo.Vangafananidzwa


nesu here?"

"Chete hazvo.Ndikudirirei drink?"

"Ayiwa rega hako.Ndavakutoyenda"

"Iiih kana azviite Tete.Mopinda pamba


pemuroora mobuda musina kana
nechamadya kuti zvadii?"

Ndakaona vavakuzvomora maziso


vachinditarisa.Ndaisada kupedza nguva
ndakabva ndatopinda munyaya
yangu.Ndakavaudza kuti naVee taidanana
uye anga avimbisa kuzondiroora.Kurara
kwanga kwaita Vee pamba hapana
chandakasiya.

"Iiih ndafara veduwee.Vigie anga atinetsa


nenhau yekusada kuroora.Achingoti very
soon munhu achitochembera"

"Neniwo ndafara kusangana nemi


Tete.Garai ndiuye nedrink"
Vakagara pasi vavakutaridza mufaro
kukunda wavanga vapinda mumba
nawo.Ndakayenda ndokunodira drink
kwakudzoka ndavakuvapa.

"Thanks.Saka Makoti mogara pano nani?"

"Ndogara ndega.Hanzvadzi yangu inopota


ichiuya hayo apo neapo" (ndakanyepa)

"Hooo saka muchikuchikoro here or


mavakushanda?"

"Ndirikupedza Masters this year tete" (


ndakawedzera zvekare kunyepa)
"Iiih chokwadi vaiti zviuya azvidondane
vainyepa.Vigie aroora mukadzi
akadzidzawo saiye..Ayiwa zvinokudzwa
makoti.Ubate hanzvadzi yangu zvakanaka"

"Horyt tete ayiwa musambotya.Ndototyira


iye kuti anozondirasisa"
.
"Ahamboita Anokuroora dont worry"

Ndaiva ndatokanganwa kuti ndaiva


nekanyama pamoto.Ndakanzwa
kavakunhuwira kutsva ndikamhanya
kunodzima.

"Eheka wanga wati wagona kunyima tete


nyama zvino yazvishambadza yoga"
Vakataura sisi vaVee vachitevera
kukitchen.Moyo wangu wakanetseka nekuti
ndaiziva kuti nyama iyi yaiva nemunhu
ayifanira kuidya.Vakasvikomira padivi
vakanditarisa.

"Ndipo mvura yekunwa


Makoti.Ndineproblem ndikanwa kana kudya
zvotapira ndoda mvura"

Ndakavhurira patap asi vakaramba vakati


vaida yemufrij.Mufrij manga musina kana
chigubhu chemvura kusiya kweiya
yandanga ndabva nayo
kumuporofita,hameno ndakavarairwa neiwo
kuisa imomo..Ndakapusa ndangomira
padivi nefrij.Vakabva vatovhura vari ivo frij
iya ndokutora kagubhu kaya newater
glass.Ndakanzwa nyoka dzangu kurira
mudumbu,kuita
sedzichabuda.Vakakwekweta mvura yose
iya ndokuipedza.

"Waita basa Makoti.Kuomerwa kwacho


kwanga kwanyanya"

Vakaoneka vakabva vayenda.Ndakasara


ndavakutura zibefu chairo.Mvura iyi ndanga
ndanzi ndaifanira kuichengetedza
isawonekwa kana nani zvake. Tom
aifanirwa kuzogeza maoko nayo pamwe
nekuimwa after that ndaimupa week chete
tinenge tavakudanana uye ndaizoita
wekudzinga asingachabvi pamba
pangu.Manje apa yanga yatoonekwa and
the worst part was yanga yatoonekwa
nekubva yanwiwa.Kureva kuti chero Tomy
dai ayizouya chero akadya hapana
zvazvaizoshanda pamwe ndaitozotevererwa
nasisi vaVee zvino ndaizovadini isu
tirivakadzi tese..Ndakagara pasi
ndavakufunga pekutangira. Ndakabatwa
nehope ipapo ndokutozopatika kunze
kwasviba.Tomy kureva kuti anga asina
kuuya. Ndakaridza tsamwa ndichizama
kumufonera asi fone yake yanga
yakadzima..Neshungu dzangu ndini
uyo,kudhonza makumbo angu
ndavakuyenda hangu kunorara..

Ndakagara mazuva matatu Tomy anga


asikubatika zvachose..Felly ndakanga
ndazama fone yake kamwechete ikaramba
ndokutosiyana naye.Ndakanga ndakazara
neshungu mazuva iwaya,kana ayindigumha
ayigona kuzopedzerwa shungu
dzose..Ndakatomuka zvangu ndiripo
pamba,ndichifunga kuti ndaizopindana
nedzipi zuva iri, ndakambofunga kudzokera
kwatete vaFelly kwandaiva ndabva zuro
kwacho asi ndakaona kuti nemazinyaya avo
epasi chigare ndinotozosvotwa
worse.Ndirimundangariro kudaro fone
yangu yakaringer ndikaidongorera wanei
ndiro zikomana raFelly.Ndakamboridza
tsamwa ndokuzodaira.

"Heeee iwee"

"Iih kwakanaka here Bee?.Honaka fone


yangu yanga yaita problem.Urifree here
ndiuye nhasi?"

"Ehooo"
"Ko shamwari yako kumbonzwawo
nezvayo?"

"Andigare nembereko yaFelly ini


Tom.Anditoziviwo kumvura kwavo uko
zvichida atori pasi pemvura chaipo."

" Taura hako phone yake haisi kupinda but


ndirikufunga kuenda kwatete vacho but
rega ndipfuure neikoko ndichikuona two
minutes"

Ndakabva ndatomuka kugadzirira,"zvake


zvekuti 2 minutes anozvinyepera kunze
kwekuti achiita hwejongwe kani
rinongokwira pamusoro pemhambo
nekudzika. Inini ndinotoda damba refu
chairo hameno hake nhasi anochilna
chakatadzisa imbwa kuseka iyo
ichinyenama." Ndaitaura zvangu ndega
ndichizvizora hair removal kuti ndibvise
twuvhudzi twainge twakuda kutanga
kubudikira pasitonyi yangu. Hongu
zveusavi hunemupfuhwira zvanga zvakona
hazvo asi nezuva iri Tomy akasapinda
pakati pemakumbo angu
ndaizozviuraya.Ndirimubathroom
ndakatomboita tuma action action
ndichipractiser kuti ndaizomuyemera seyi
uye ndaizotangira papi kuti
adyire.Ndakanonoka kubuda
mubathroom,ko ndaiti ndikageza
ndombozviwona uye kutaura taura ndega
zvangu.
Ndapapfeka kamwe kaskirt kerapeover
kaiva katuku tuku chaiko,ndakaisa katight
mukati kaisambosvika kana
kure,kaitoperera zvako paipererawo
magaro.Ndaitoti ndikakotama ndainzwa kuti
mhepo yese yaipinda..Izvi ndaizokotamira
Tomy chete and ikasamira nhasi
kutorevawo kuti yagara neyakewo
inekadambudziko.Ndakapfeka basta chairo
risina kana chii padenga.Musoro andina
kuusunga,ndaida Tomy agobatira mabraids
kana azondikotamisa..Ndakanzwa kuti
nyawu nyawu muviri kutaridza kuti the
body was ready for sex.. Ndichibuda
mubath ndakatarisa fone yangu
ndichifunga kuti pamwe anga ambofona
ndikasainzwa..Ndakabva ndamufonera ndiri
ini

"Uripi ndoda kuzobuda?"

"Ndakutosvika Bee jus hold on"


"Ok waiting"

Pasina nguva ndakanzwa munhu akapinda


pagate.Ndakamhanyira
kudoor,ndichingovhura door Felly anga
avakutoda kuvhurawo.

"Kwakanaka here?" Ndakabvunza


ndatosvotwa

"Kunakei.Suduruka apa..Unani mumba


waurikuvanza zvaunenge usingatodi
ndipinde mumba mako.?"

"Hezvoooo zvamaimboita kunge vanhu


vasina basa nenyaya wani..Ko makauya rini
vekwaMurehwa?"
"Ndasvika nhasi.Ko iwe kupfeka kunge
uchashama kudaro.Ukuyendepi,asi Vee
aripano?"

"Vee wekudiiko.Ndanga ndichida


kutoyenda kubhora ini"

"Wakatanga riini kutamba bhora Bee?"

"Ndavamucourt here Felly..Ko wavingei


iwe?"

"Bee kwakanaka here kana usiri kundida


pano ndodzokera hangu."
" Aiwa Felly inyaya yekuti ndanga ndava
kuda kutobuda."

" Ndokuperekedza hangu tichitaura, shaaa


ndine stress hako" Ndakatoona kuti
zvekudzokera haasi kuda.

"Yeyi warambwaka
naTomy?.Ndakambokuudza kuti mupe
makumbo"

"Haaa kwete izvozvo mhani..Fone yangu


yakadzima pandakayenda kwaMurehwa apa
ndanga ndaguma kutaura naTomy
tisikunatsakunzwana"
"So abva akuramba?"

"Ayewa but tava nemazuva tisikutaura


tose.Ndichisvika kumba ndavakuisa fone
pachaja kumufonera he's not picking up my
calls"

"Ndozvandaigarokuudza kuti mukomana


ukasamupa anowana vanopa.Unoti
anosvikepi achimirira sex yangozara kunze
uko dollar for two kunge
chingwa?.Changamuka Felly usaita
sewakarara nezamo mukanwa iwewe"

"Bee kani wakutondidzimbira


chironda.Wakaguma kumuwonawo
riini?.Can i use your fone mybe anodaira?"
"Aaah ndatovawo nemazuva ini.Ndomudii
Tomy handiti unogara wakandifungira kuti
ndomuda.Paya takazopesana kuVfalls
nenyaya yake so ndakabva ndazvipa
distance zvangu"

Ipapo ndaitaura ndichibaya baya fone


yangu.Ndaizama kuisira Tomy sms kuti
asasauye asi seems like it was too
late,massage ahina kuyenda ndikanzwa
kugate kwakupinda
munhu.Ndakadongorera ndokuwona
ariiye.Ndakazama kumuti adzokere
nemasign asi rinenge dzimatiwo pamasign
language.Akatoramba achifamba ndokubva
apinda mumba uku achitaura kunge ayida
kudzidzira kupenga.
Him: "Sorry shaa nekunonoka.Pastop apo
patsikwa munhu saka pavharwa,mota
dzikunetsa kudarika"

Ndakaramba ndakanyarara,ndavakushaya
kuti ndodaira neupi mutowo.Felly
akatarisana nemukomana wake vose
hapana
akataura.Ndakapererwa,ndokupukuta
kumeso ndavakugara pasi ndichidhonza
kaskirt kandaiziva kuti yaitozova miracle
kuti karebe.........

*End of Chapter 7*
MY ENGAGEMENT RING
WRITTEN BY DR KD MAZANI

APP: +27610921330

AND
T.J.....+27610581531

https://chat.whatsapp.com/JEfpsBfvlGS6VR
cQJ88Nmc

CHAPTER 8

Felly

Ndaiti inhema pandainzwa vanhu vachiti


kana une stress haudye, chikafu chaivapo
asi chairamba kupinda mudumbu. Ndainge
ndaonda kusara mabhonzo iwo mazuva
matatu andakagara kwaMurehwa
ndichifunga mukomana wangu. Zvikati
neniwo wacho ndainge ndirimunhu mutete
chero mabhurukwa emukati ainge
aisisakwani. Zvakatozowedzera paanga
asingabata macalls angu ndadzokera
kuHarare, even mamessage chaiwo
aisapindura but kufon kwangu zvairatidza
kuti zvandirikunyora arikuzviverenga. Tete
vaida zvekuita nyaya neni vachibvunza
bvunza zvinhu zvisina basa ndikapedzisira
ndavanyararira ndichingotura befu
kasingagumi.

"Hezvoo nhai Felly mwana wangu saka


tichadya fon here pamba pano, chinguva
wamira ipapo uchitadza kundibetsera basa
urikumbofungeiko?" Handina kupindura
ndaida kuti vazviona kuti ndakavatsamwira,
ndivo vaiva honzeri yezvose izvi pamwe
Tom ainge akatsamwa kuti ndakangarirei
kwaMurehwa mazuva akawanda who
knows.

"Hezvo nhaiwe mwana waSirivesita


haunzwi here zvandirikutaura, mazuvaona
wavakungoita zvaunoda ka ko chiiko.?"

" Ndokumbirawo fon yenyu ndimbofonera


Tom, sorry tete ndoita basa but kana
ndisati ndaziva kuti whats going on kuna
bamunini venyu handingambogoni kana
kubika kwacho."
" Fon yangu yakawira mumvura haisi kana
kubaka, Ko vaitasei bamunini vangu?"

"Tete i dont think Tom achirikundida ini,


something wrong chete."

"Why urikudaro Felly." Vakadaro tete


vachigadzika broom pasi sezvo ndakasvika
vachitsvaira mu dinning.

"Haasi kana kupindura mamessages angu


honai arikublue ticker." Ndakaratidza tete
mamessage ese andanga ndanyora
vakazviona, vakaratidza kupererwa
ndikaona vabata muchiuno.

"Nezuro chaiko akasvika pano


ndikamuudza wani kuti hausati wadzoka,
haana zvizhinji zvaakataura akangoti maita
basa akadzokera." Handina kuzopindura
tete, ndakangobvisa fon yangu pacharger
ndini uyo chitsoka ndibereke ndakananga
kumba kwaBee. Tete vakambosheedza
hameno zvavaitaura handina kana
chandakanzwa nekuti pfungwa dzangu
dzanga dzadhanganyika. Atleast
ndakasvika Bee aripo ndikamupira nyaya
sasahwira but kamupindurire kaandiita
aitoratidza kusvotwa nekuuya kwangu.
Hapana kupera time Tom akabva asvika
pandakamuona ndakapererwa kushaya
kana neremuromo, naiye ndakaona achiita
kuvhunduka kunge munhu atsika zimbe
remoto.

"What's the meaning of this?"


Ndakabvunza ndatoona kuti vaviri vanga
vangoti tuzu kunge mwana awanikwa
pagaba redovi.Ndakatarisa kushamwari
yangu ndikaona agara pasi apa zvidya
zvake zvose zvaiva panze ndikange
ndotomunyarira. Ndakadzoka maziso
kunaTom ndikawona akatarisawo kwaiva
naBeauty.Ndakasvotwa kusvika pamongo
webhonzo,nehasha uye simba rangu rese
ndakadaidzira zvinesimba.

"Thomas!"

" Hee?" Akadaro achivhundukira pamwe


chete nekudonedza mate mumukanwa,
nyangwe iyo shumba irikunzwira moyo
mhaka yairikunyangira kuti iuraye haidaro.
"Kureva ka kuti Tom aitoyeverwa
nekushama kwanga kwakaita Bee, dai anga
asvika ndisipo chii chaiitika ? ummm i think
ndini ndatovavhiringa madhiri avo."
Ndaifunga izvi mumoyo ndichiedza
kubatanidza masvikire anga aita Tom.

" Urikuyeverwa nei pawakatarisa Tomas,?


iwe Bee saka haisi kunyara here ipapa?"

Him: "Babe let me explain"

Be: "Ndisiye zvangu nekupisa ikoku


ungada kundiudza zvekupfeka, plus
ndirimumba mangu ka ini" Handina kuda
kumupindura nekuti aitondisemesa,
ndakabva ndatarisa Tom.

"Explain what Thomas?.What do you want


to explain chaizvo zvisikuwoneka apa?.You
know what?..I am done with you,byeee.

Ndakabuda mumba muya ndikafambisa


kudzokera kumba.Munzira mese hapana
kana chandaifunga..Ndakasvikopinda
mubedroom mangu ndokuzvivharira imomo
ndichiridza mhere nepose pandaigona
napo.Picture yezvanga zvaitika kumba
kwaBee yakatanga kutamba mumusoro
mangu. "Heya ndosaka Bee kusvika
kwandakaita asina kukufarira nhai? Zvanga
zvichidudzira kuti anga akamirira Tomy..Ko
iko kuzopfeka sehure rapromiswa
kutengerwa bhotoro redoro, munhu rudzii
asingakoshesi muviri wake. Ko sei Thomas
azvika achiti sorry ndanonoka kureva kuti
vaviri ava vane zvavanga vachironga ka,
nxaa atleast ndazviona nekukasika regai
vadanane Mwari achandipa umwe
mukomana." Ndaiita kutaura ndega
ndirimubedroom apa misodzi ichingoerera
nematama, ndainge ndatota huro yede iyi.
Ndakanzwa kurwadziwa naBee mufunge,
but why munhu wandinoti sisi, sahwira
zvese andiitira izvi. Ofcourse hapana anga
andipa tsanangudzo zvapo asi zvanga
zviripachena sadriver wetarakita.Ndakatora
fone yangu ndokudeleta contact
yaTomy.All the pictures ataitorwa zvose
ndakabvisa mufone mangu
ndokuzvambarara ndakadaro ndokutokiya
door rangu, tete ndaida kuzovaona
mangwana kwachena even though
ndaisaziva kuti vanga vasara vakaenda kupi
handina kuita hanya nazvo...

Tomy.
Ndanga ndazozvimbirwa zvino nembodza
yandanga ndazvibikira
ndega.Pandakapinda mumba maBee
ndichiwona Bee wacho akaswedera pedyo
nekushama worse ayina Felly ndakatoziva
kuti pangu pandiperera.I never wanted Felly
to find out about kuonana kwangu
naBee.The worst part was ndaitoignowa
machats and calls ake thinking kuti she
was hiding something.Vakuru vakati nyadzi
dzinokunda rufu ichi ndicho chokwadi
chakaperera,chisingade kana kuwedzerwa
kana kutapudzwa.Ndakanyara zvekuti kana
muroi ayedzerwa achiroya haadaro,
ndakambofunga kutiza ndidzokere
kwandabva asi ndakashaya kuti
ndikazibvunzwa ndozoti ndirikutizei. Imwe
pfungwa yakambonditi nyepedzera
kupenga utange kuita semunhu arasika
asingazivi kwaari but zvose zvaisaita
kwaiva kufunga kwemunhu apererwa. Dai
pasi raikwanisa kumedza munhu
rozomurutsa zuva iri ndaisva ndati
rindimedze.Felly akataridza kusvotwa
nezvaiva awona, izvi zvaisada kuudzirwa
kana kumbotora calculator asi zvaingoda
common sense chete. Yes ndaisadanana
naBee asi nenyaya yeku ignore macalls
ake, chero ndirini ndakaitirwa obvious
ndaibatikana. Pekutanga Felly akatarisa
shamwari yake ndikawona achitaridza
kushora kusvika pekupedzisira,paakadzosa
maziso kwandiri ndakawona hukasha
hwake hwese ndokuzama kuda kupa
tsananguro.Handizivi dzaizova tsananguro
dzei dzandaida kupa,chandaiziva
ndechekuti i have to give her any
explanation saka ndaizozviwona ndatanga
kupa tsanangudzo dzacho.Hazvina akada
kunzwa nezvazvo Felly akarovera door
ndokutisiya tatuzurirana mumba
naBee..Ndakatarisa Bee ndikaona asina
kana hanya zvake achitoseka zvake uku
achitofugura kadzoto kaiva akapfeka.

"Bee ndiwe wakonzeresa, sei wati ndiuye


kuno uchiziva kuti una Felly?"

"Undisiye ndaitei zvangu ini?.Ngayende


achadzoka hakezve, ungazvinetsa
nemunhu anoita segurwe here rinodambura
makumbo arinoda kuzoseenzesa
pakufamba"

" Saka urikurevei ipapa.?"


" Achadzoka hake dai uriumwe watomu
blocker uone kuti haakutsvaki here? Izvezvi
pamwe achakagarwa nezimweya repasi
pemvura paaiva, hauna kuona here kuonda
kwaaita usatamba nekugara 3 days
usingadyi ka hazvisi nyore. But
zvotonzwisa tsitsi shem umm dai Mwari
mapindira pana Felly asazopindwa
nemweya wekuzokanganisa munhu akaita
saTomy."

" Bee urikutiiko?ndiwe wandidaidza


pano,wakupfeka kunge munhu wemubhawa
wanga uchitarisira kuti chero dai taizotaura
ndaitaura newe ndakatarisa pai hee?"

"Pawakatarisa izvezvi ndipo pawanga


uchangotarisa.Kana apa chero apa pose
zvapo tarisa usatye" Aitaura kudaro
achizvibata bata mazamo ake nemagaro
achisimuka kufamba kuuya
kwandaiva.Ndakaramba ndakamira
ndichida kuwona kwazvaida
kusvika..Akasvikomira pamberi pangu
chaipo ndokunditarisa mumaziso
achitambisa rurimi rwake uku achidhonza
dhonza zvirukwa zvake zvaiva mumusoro.

"Kiss me Tomy"

"Unopenga here iwe?"

"Yes ndopengeswa newe..Seyi usina


maziso ekuwona Tomy?.Iam the ryt one for
you not Felly asingakupe kana kiss.Let me
give you my all swty"

Uyu mwana kana raisava shavi raiva paari


ayitova nengozi yechihure.Paitaura pose
apa ayindibvisa mabutton eshirt yandanga
ndakapfeka.Akatanga kutambisa mvere
pachest pangu ndikati ndoda
kuwona.Akandisiya ndokuyenda kunokiya
door ini ndokuramba ndakamira semwana
atumwa musipiti zvake.Akadzoka
ndokupfugama avakuda kundibvisa belt
retrouse..Ndakanzwa muviri wangu kuti
nyawu nyawu zvekusema zviya ndokubva
ndamubata maoko ake.

"What is it Tomy?" Akabvunza achizama


kundibvisa maoko angu anga amubata.

"Nothing. Stand up"


Paakanosimuka ndakamugamha
nembama.Akabata dama randanga
ndamurova ndikarova rimwe ndokubva
ndamusundira pasofa.Ndakabvisa belt
randanga ndakasunga ndikamuruka
naro.Apa ndanga ndavakushungurira
kundipedzera nguva yangu uye ndaitoziva
kuti naFelly zvaigona kuyenda
pamwe.Ayisimudza simudza makumbo ini
ndichirova zvidya izvozvo.Ndakapedza
ndikapfeka shirt yangu zvakanaka iye anga
azoti kwati kuita seachapinda musofa.

"Open this stupid door ndisati


ndakuremadza"

Akamhanya kusimuka ndokunovhura door.


"Dont call me or text me again.Musoro
wakazara matoto ehuku bratshit.Kunyepera
kuda kutaura zvenhema iwe uchiziva kuti
ndiwe uneshavi rechihure
seshiri..Musatanyoko wako Bee"

Ndaipopota ndichiyenda
kumota.Ndakangosvikokwenya mota yangu
kunanga kumba kwanaFelly.Ndichisvika
ndakasiya mota kunze kwegate ndokubva
ndapinda.Tete vake vaiva busy neumwewo
mudzimai ndofunga ndewekuchurch kwavo
here hameno.

"Maswerasei tete, ndauyawo kuzoona


Felly."

"Endai munomutarisa kumba kwaBee ndiko


kwaabuda akaenda inini kutosvika now
ndanga ndambobuda."

" Abvako kwana Bee, mambopinda mumba


here?"

"Zvamurikutaura muchihuta wani bamnn


kwakanaka here? regai ndimudaidze"

Vakataura vachiyenda kubedroom


kwaFelly.Ndakawona vavakudzoka
vakadungamidzana asi Felly was very
down.

"Hes babe.Can we talk please?"

Ahana kundipindura,akangofamba
achiyenda kunze ini ndokutevera.Ndofunga
ayisada kuti Tete vake vanzwe nyaya here
hameno.Akasvikomira padoor ndokuvhara
akapeta maoko ake ndokuti.

"Wavingei Thomas?"

"Babe ndauya kuti titaure.Handei togara


mumota i dont want kuti tete vanzwe nyaya
yedu"

"Ok"

Yaiva zvayo ok asi yaitaridza kuti yanga


isiri yekwaMwari.Ndakasvikopinda mumota
asi iye akamira kunze kwemota.
"Babe please get inside"

"Nditori ryt pandiri.Wavingei?"

Ndakambotura mafemo ndavakushaya


pekutangira.Semurume ndaitofanira
kushinga nekuti ndikasadaro
ndaizorambwa pano.Ndakazongotanga
nekuti.

"Iam sorry for not picking up your calls"

"Ok"

"Iam sorry again for doubting you"


"Ok"

"Babe andina kuzivawo kuti ndosvika Bee


akapfeka zvanga akapfeka zviya."

"Horyt..Wapedza here?"

"Yes ndapedza but ndokumbirawo"

"Chii?"

"Say something babe,ndirove hako,ndituke


chero zvawaita"
"Kurova murume mukuru anenge iwe kuti
ndopenga here?.Wanga uchiziva zvawanga
uchizviitira saka why wakuda
kurohwa?.Ndanzwa zvose zvawataura and
ndazvinzwisisa.Iwe naBee mose
ndakuregererai enjoy your
relationship.Ndiyeka waunoda anopota
achikupa sex yaurikushaya kwandiri. I can
even see kuti matonakirana zvenyu
ukakanganwa nekusunga belt"

Ndakatarisa padesh board ndikawona


ndopandanga ndatsveta belt.Ndakazvituka
kasingaperi.Felly akatanga kufamba
akudzokera mugate,ndakamumhanyira
ndokusvikomubata nemuchiunu
ndirikumashure kwake.Akatendeukira
kwandaiva nesimba rake rose
ndokuregedzera mbama asi andina
kumusiya.

"Babe let me explain.Andina kurara naBee


babe wangu.Felly kani ndinzwewo
zvandikuda kutaura"

"Ndakupa mkana Thomas ukat


wapedza.Saka apa wavakuda kuwedzera
zvimwe?"

"Babe..Bee akandifonera achiti


unezvaurikuvanza kwandiri.Akanditi
unediary raunaro rausingade naro so
ndizvo ndanga ndafambira achiti arikuda
kundiudza zvawakanyora.Handidanane
naBee ini and andina kurara naye"
"Ok..Saka belt rabva rega patrouse here,or
wabvisa uchiita weti or something?"

"Pawandisiya kwaBee andina


kuzogarako.Ndamubvunza kuti inyaya yeyi
asi ahana chisvinu chaataura.Ndatowona
kuti she wanted to use me ndikamurova
ndipo ndakanganw kudzosera belt".

"So wamurova nekuti ndakuwanikidzai.Ko


dai wanga wasvika ndisipo,nekupfeka
kwanga kwakaita Bee kuya chii
chaizoitika,waizomurova here kana
waitamba yanga icharira?"

Ndakapererwa nemashoko asi kutaura


chokwadi hapana pandaizorarawo naBee.

"That's it,i knew it"

"Babe sandizvo kani"

"Ndizvo Thomas.Chakakupa kunditaura


neshamwari yangu chii??Wakambonditi
Felly hanzi unesecret book ndodawo
kuriwona ndikakunyima
here?.Wavakuyenda kunonzwa nyaya
dzangu naBee apa asina kupfeka.Saka dai
akuti ndakauraya munhu or something
waizodii,waizondirambaka nekuda
kwake?.Manje chinzwa Thomas,ini andid
munhu asinganditraste imboita zvaunoita
naBee wako sezvo ariye waunonzwa
nekuvimba naye.As for me iam a big girl i
will look after myself and one day will find
the one who trusts me...Byeee Thomas"

Akanga avakuchema asi achitaura


achizvipukuta misodzi yake.Ndakada
kuswedera pedyo asi akanomirira
nechekure.Akapedza kutaura ndokutopinda
mugate mavo ini ndokusara ndangoti
dzurururu sembudzi irimuberevere
irikuhwanda mvura yechimvura
mabwe.Moyo wangu waisada
kuyenda,asika ndaizoti kudii kunaTete
vake.Ndakapinda mumota
ndokumbogara.Patova paya ndakatyaira
mota yangu kuyenda kumba.Ndichisvika
ndakashaya nechekubata chaicho.I tried to
call Felly asi ayisadaira macalls
angu.Ndakapinda muApp ndikawona
paprofile pake pasisina picture.Ndakasenda
massage ahina kuyenda,zvaiva pachena
anga andibloka..............

End of chaptet 8
MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI

APP: +27610921330
https://chat.whatsapp.com/JEfpsBfvlGS6VR
cQJ88Nmc
https://chat.whatsapp.com/DLl9K6ebDlrEqL
nttJM9GH

AND

T.J.....+27610581531
CHAPTER 9

Beauty

Ndakanzwa kusununguka nguva yakabuda


Felly achiita zvekuramwa, nechemumoyo
ndakati gonzo raenda kupart katsi
yavakusara ichiita madiro. Ndaifunga kuti
zvangu zvaita ndosara ndichiita zvndinoda
naTom izvo kwani ndaizvinyepera. Dai
ndakaziva ndisina kugara ndazvitanga
hangu coz kurohwa kwandakaita naTom
zvakaratidza zvega kuti i am nothing, dai
ndisina kuzomhanya kuvhura door aida
kundisakadza chaiko.
*"Tom ndirikuda kukusungisa chete."*
Ndakamunyorera message achangobuda
asi haana kupindura coz aiva offline,
ndakati regai ndiite zvekufona ndipo
pandakaona chimusoro chebelt rake
changa chadonha nguva yaaindirova,
ndakakata isati yarin'a ndokudzokera ku
app.

*"Wandirepa Tom ndikundokuvhurira case


nhasi chaiye urikurara wakavharirwa."*
Ndakamutumira imwe message zvakare but
haina kupindurwa kana kuverengwa.
Ndakatora photo yebelt rake ndobva
ndamutumira. *"Ndiyo proof yandichaenda
nayo kumapurisa apa nekundikuvadza
kwawaita muzvidya unomama chete."*
Ndakaramba ndakavhura pa app pake
ndichiti achavhura mamessage angu but
anenge aisada kuavhura hake. I called him
ne app call ichingoti ringing pasina
anopindura, ndakamufonera nefon call asi
yairin'a kusvika yaenda kuvoicemail.
Chandaida chete ndechekuti adzoke coz
kubuda kwaakaita akatsamwa aigona
kusvika oudza Felly zvese
zvandaimunyepera, ndaizonyarirepi nhaimi
and what about zvikazonzikwa natete
vanozonditora semunhu akaitasei umm
hameno. Ndaifunga izvi ndichisimuka
kundodziisa mvura yekuzvitova coz
ndainge ndazvimba zvisingaite, ropa ranga
ragwambira mukati. Ndakazvitova ndichiita
kuyuwira ndiri ndega pasina anombonditi
sorry, ndakazopotsa ndazvipisa nekuti
dzimwe pfungwa dzaiva kufon yangu
ndichifunga kuti maybe Tom acha responda
ndisati ndaenda kupolice station ndokuona
ari zii zvake.

" But why me,ndingaitasei chaizvo kuti


ndidikewo.Shuwa kuita sekuti ndine
mabvuka pasi here, handina kana
mukomana wandingataura kuti
ndakadanana mu life history yangu.
Misheck chaiye akandibvisa umhandara
akaita hit and run, kubva zvaakabuda muno
muHarare achienda kuChegutu kana
kumbozodzoka kwakaenda imbwa ndiko
kwakaenda tsuro, kana pafon chaipo ainge
asisabatike. Dai ndaiva nehwena sembwa
ndaimutevera chete i think ndiye akandipa
mazimunyama iwaya. Uyuwo Vee ingori ziro
ziro but nekuimbirira kwaaita aripamusoro
pangu achiti ndinonaka zvino kunaka
kwacho haasi kumbokufungawo here.
Nhasi futi ndoti Tom wepedyo pamwe
ndikamukwezva ndikamupa makumbo
aigona kundida akasiya Felly but avakusiya
andirakasha kunge imbwa yaba mazai.Nxaa
inenge isingamiri chete yake nekuti nguva
yandanga ndichida kumubvisa bhande
handina kuona kufutirira sezvinoita vamwe
varume, pamwe anekadora hakezve. Manje
achandofira mujere nekadora kake ikako
kaanodada nako ndoda kumupa good size."
Ndaitaura ndega ndichizvitova, ndichipedza
ndakasimudza fon ndokuona asina kana
kupinda online.

Ndakaridza zitsamwa ndichipinda


mubedroom mangu ndikachinja hembe
ndikapfeka dzakadzikamira kwakubuda
ndakananga kumapurisa. Ndiriminzira
ndakanzwa phone yangu kurin'a mumoyo
ndikati pamwe ndiTom but pandakaibusisa
mupesi ndakaona ari Vee, ndakatanga
nekunyemwerera ndisati ndadavira ndichiti
chokwadi munhu haafungwi,ndanga
ndichifunga nezvake now now avakufona;

"Hesi my love "

" Ndeypi my friend? Please don't call me


that."

" Ndiribhoo hangu but ndakusuwa apa


ndarohwa."

"Warohwa nei?"
" Nemukomana weshamwari yangu."

"Aaagh kuti waitasei nhai.?"

" Aindipfimba ndikamuramba saka


ndakazoudza Felly wacho
ndozvaandirovera nhai." Ndakadaro
ndavakuchema.

"Aiwa usachema kani bestie sorry handiti?"

" Ehe ndanyarara i wish dai wanga urikuno,


urikuuya rini nhai.?"

"Ummm i am not sure maybe next weekend


coz now i am busy nebasa."
" Zviya unoita basa rei nhai?"

" Ndoseenza pamaiva ipopaye ndiri


manager wepa Vicfalls. ndafona ndichiti
ndikutende nekupa sisi vangu Jericani
rungu but why wakazomunyepera."

" Nakanyepa kutii futi?"

" You know zvawakamuudza,ko sei


avakukuti maiguru."

Ndakabva ndaseka zvangu


zvekutoknganwa kutokanganwa kuti
ndambomuchemera.

" Saka chii chirikusetsa ipapa? please


umuidze kuti waitamba handiti coz pese
pese paanofona anototi ataure nezvako."

" Vee ndirikuseka because urikuramba kuti


tinodana iwewe wakandimitisa."

" Please don't say that tell me you are


joking."

" Its true that's why ndirikuzvitaura i am not


joking, ndaifana ndakaenda kumadays
angu nezuro but nanhasi handisati meaning
ndine nhumbu yako."

"Aaagh no, no Beauty. Nditikuuyako


kuswera mangwana toenda kwadoctor if
une nhumbu toibvisisa then i will pay you
for that."

" Unope.... Imbokata wozofona ndoda


kudavira tete." Ndakadaira sisi vaVee vanga
vafona ndobva vati varipagate pangu.
Ndakavaudza kuti vamirepo ndirikuuya.
Ndakatanga kumhanya ndichidzoka
kumba.Ndakasvika vakamira pagate
ndokuti ndivabetsere kuburutsa mapaper
bag ekwa TM aiva mumota mavo,takaburuta
5 paper bags dzainge dzakazara grocery
tichiisa mumba.

" Ndanga ndakusuwa muroora wangu "


vakadaro tete vachivhura mufridge.

" Shuwa here tete? Hatinaka kuzochinjana


number ka musi uya, aaagh munoti
muneiko mufridge regai ndikudirirei juice."

" No handinwi juice ini ndirikuda mvura,


inga ndakakuudzai wani kuti ini nemvura
tinonzwanana "

" Haa shem, mufridge mangu hamugari


mune mvura umu ndajaira kunwa yepa tap
ini." Ndakadaro ndichienda kunotora glass
kwakuvatambidza vakanwa, vachipedza
vakabva vagara pasi. Maziso angu ainge
akangotarisa mapaper bag ndichishaya kuti
grocery rese iri raienda kunani."

"Ndezvenyu izvo maiguru chitorongedzai


muzviise pamunoda." Ndakashamiswa
ndichinzwa mashoko aya, dai vaiziva kuti
inini nehadzvadzi yavo tainge tisati
tadanana havazi vaitenga chikafu chose
ichi,"but at least sometimes kunyepa
kunobhadhara regai ndidye zvemarema."
Ndaitaurira mumoyo ndichisimuka,
ndakamboda kuzviramba zvenhema asi
vakandimanikidza vachisimukawo ndobva
tabetserana kurongedza.Tichipedza
ndakaita zvekupfugama chaiko
ndichiombera, vakandibata ruoko vakati
ndisimuke hanzi handisi kuda zvekutendwa
nekuti handina zviombe zvandaita.

"Ko maziso kutsvuka hanzii, asi manga


muchichema hii nedama rakazvimba
waitwasei nhai makoti." Vakadaro nguva
yavakandisimudza pandainge
ndakapfugama. Ndakanyepa zvakare
ndikavaudza zvandanga ndaunza
Vee,vakarwadziwa kusvika vabvunza
kumba kwaTom vachida kuti tiendeko but i
refused ndichiti musiyei akadaro kutonga
ndekwaMwari. Ndaitya kuti tikaendako Tom
aizotaura zvese zvakanga zvaitika kusvika
andirove. Takatandara natete tichitaura
nyaya dzakasiyana siyana vachindiudza
about her family ndipo pandakabva ndaziva
zita ravo kuti vainzi Vanessa vainge
vakabarwa vari vaviri na Vigie.
Takazoparadzana vavakuenda kubasa
kwavo manheru kuma 5, pandakasara
zvekusungisa Tom zvanga zvatobuda
mumusoro ndainge ndava kufunga zano
rekuti ndotangira papi nditaure naFelly.
Ndakatora phone ndipo pandakasangana
nemessage yaTom, akanyora mudhadha
achipopota achindiudza uhure hwangu
kunge akamborara neni;
*Urimuroyi anoroya masikati machena
Beauty,enda kumapurisa kwachozve
warambidzwa nani.Unofunga nekuzasi
chete iwe handivhundutsirwi nemapaper
semhembwe wanzwa ndogona
kukudzokera ndikakurova futi i think
zvandakuita zvishoma. Ndoda kukupa only
3 days If ukasaitaura naFelly kuti
tidzokerane uchazviona kuti hauna
kungwara, i know zvese zvawaitaura
zvekuti Felly anemudzimu
wainyepa,haunyari here kuita chihure
sechembwa yapfumvura inokwirwa neraini
rese chawaida chete kurara neni manje
handirari nemunhu akaora sewe."*

Ndakanzwa kudikitira pandakapedza


kuverenga message iyi, munhu wepi asina
matyira kana kuvhunduka kuti
ndavakumusungisa. Anenge aiva
akadyiswa chete naFelly, tete vaya
handivatembi inini vanenge ivo vakapa
Tom mupfuhwira wekuti arambe achida
Felly.

*" Sorry Tom handina kuenda kumapurisa


huya titaure."* I replied his message
ndichiedza kumunyengerera.

*Handidi kana kuona face yako iwe mbwa,


kasika izvezvi kundoudza Felly kuti inini
newe hatidanani.*

*Manje urikuda kuti ndiende usiku huno


here, look pava netime its now half past 7.*

*I am giving you 3 days only wanzwa.*


*Ehe ndotaura naye but i hope hauna
kumuudza kuti ndakakuudza zvemudzimu
wake, kana wamuudza handina pekutangira
kutaura naye pedzeranai ikoko."*

Haana kupindura aka blue ticker.

*Soo 3 days dzawandipa dzikakwana asina


kunzwisisa unondiitasei.*

Haana kupindura zvakare, ndakatsvaka


Felly ndokuona last seen yake ichiti 15:44
apa ndonguva dzaanga abva kumba
kwangu. I send her a message kuti *hie*
yakango ticker kaviri haina
kuvhurwa.Ndakafona fon ichingorin'a isina
anobata, ndakaramba ndichingofona
kusvika yavakuenda kuvoice mail meaning
anga atoidzima. Ndakarara ndichiita
kuremerwa ne stress hope dzikanonoka
kubata, ndakatozotandadzwa na Vanessa
uyu aingondiisira mamessage ekuti
ndakusuwa makoti hanzi ndirikungonzwa
kuda kuva pedyo newe. Aiti ndikanonoka
kupindura oita zve app call uku
achichengera hanzi urikutaura nani this
time nekuti mukoma Vigie varara saka taura
neni. Ndainge ndabatana nacho chezhira
huru yeMasvingo, ndakazopedzisira
ndadzima phone ndikokurara
kwandakazoita but panga pava pakati
pahwo usiku.

Makuseni ndaida kumukira kwana Felly kuti


ndinomunyengerera, nguva yandainge
ndavakugeza ndipo pandakanzwa knock
pamusuwo. Ndakasheedzera
ndirimubathroom ndichibvunza kuti
"ndiyani!?"

"Its Vanessa makoti, muka kani asi


uchakarara here i miss you?"

Ndakaita kupererwa chaiko ndichishaya


kuti arikudei usiku huno, ndakamonera
tauro ndokundomuvhurira door ndipo
paakapinda achiita kundimbundira.

"Hesi mhani makoti wangu, unoziva here


kuti ndinokuda kudarika madirwe aunoitws
naVigie."

Paakataura izvi ndakabva ndayeuka mvura


iya yaakanwa yainge yagadzirwa kuti
izonwiwa naTom. Ndakatoona kuti ndiyo
yainge yavakushandisa sisi ava..Vakapinda
mumb ndokugara havo pasofa.

"Wabikeiko ndipowo mvura"

"Madyei monwa mvura kuseni kuno?"

"Hapana..Ndikasvika pano nyot yandonzwa


yakapenga.Ndipoo mvura ndikuomerwa"

Ndakanotora mvura ndikadzoka


kuvapa.Nzira yacho yandaitariswa
naVannesa nayo andina kuifarira
zvachose.Ayitotaridza kuti ayivarairwa
neni,ndakatoona kuti kugara naye ndaigona
kuzosvika pavasikana vaya vanorara
nevamwe vasikana.Andiziv zvangu
zvofamba seyi asi kwazvaiyenda
ndakawona kusina kururama.

"Regai ndiite nditsvage chekudya


pamashops tigoona kunatsotandara"

Ndakadaro ndichinopedzisa
kupfeka.Ndakadzoka ndikawana munhu
atomira netsoka hanzi tikuyenda tose

"Ayiwa sarai tete,ndikuyenda padhuze


apo.Ndouya soon"

"Ok usanonoka please"

Ndakagutsurira zvangu asi ndaiziva kuti


ndaisadzoka.Ndavapadoor vakabva
vandidaidza.

"Bee"

"Matii tete?"

"Virgie akambokuudza here kuti


wakanaka?"

Ndakangosekerera ndikavhara
door.Ndakarova nhetserwa ndafunga
zvanga zvataurwa naTomy kuti ndaifanira
kunyengerera Felly kuti asazotaura zvose
zvandaimuudza.Ndayiita kumhanya
ndichicheuka kutarisa Vanesa kuti
ayisatevera here.Ndichisvika pamba
panaFelly gate ranga
rakakiiwa.Ndakanonga katombo
ndikagugudza gate zvechisimba chaizvo.

"Hey hey ndiyani kuseni kuno?"

"Ndini Tete vhurai"

Vakavhura vakatopora zvavo


ndikamhanyira kupinda mugate.

"Kwakanaka here,urikumhanyirepi?"

"Aripi Felly nhai Tete ndakaedza


kumufonera kubva nezuro asikudaira?"
"Arimo mumba make umo.Kubva zuro
ahasikutaura ko makaitanei?"

."Ndizvo ndatofambir tete"

Taitaura tichidungamidzana kupinda


mumba.Tichingopinda Felly anga arimo
mumba.Tete vacho ndivo vakataura naye
asi akangopindura zvaiva low low
achitodzokera kuroom
kwake.Takangotarisana naTete vaFelly
vakandipa sign yekuti
ndimutevere.Ndakatevera
ndokudunganidzana ndichitaura
asingadaire.Takapinda mumba make tese
ndikasvikomira padoor ndakazendama door
randanga ndavhara.

"Felly shaaa ndabvira kare kufona"


"So what?"...

"Ahusikudaira why?"

"Do you really want to know why?"

"Yes tell me"

"Because i don't want to talk to you


Beauty.As you are in front of me you are
discusting me.Ibva pamberi pangu Beauty
urikundisemesa.How dare you Beauty?"
"Felly let me explain"

"Explain what Beauty?.Zvawakaudza Tomy


zvekuti ndine nyaya irimukabook ndizvo
urikuda kutsanangura?"

"Felly shaa Tomy akatondi....

"Get out of my face"

Ndakaramba ndakamutarisa anga achinja


kumeso.Akafamba achiuya
kwandiri,nekutya ndakabva ndakasuduruka
ndichibuda mumba make.Ndakadzokera
ndavakubuda ndokusangana naTete
vake.Vakabvunza chaizvo chayiitika
ndikavangovaudza kuti Felly anga
akatsamwira kuti akasangana nemukomana
wake kumba kwedu.Handina kutaura zvose
vakangoti vaizotaura naye..Ndakatanga
kunanaira ndavakudzokera
kumba,ndaifunga zano randaizoita kuti
Felly aregerere naro Tomy.Ndakaona kuti
kutoshandisa Tete vacho was my only
option,asi vaisafanira kuzoziva nyaya
yose.Uye vaisafanira kuziva kuti
ndaivashandisa.Chimwe chinhu
chandaifunga kuzomubira i diary rake and
this time ndaizorihwina chete.Ndakakaruka
ndatosvika pamba hameno ndanga
ndasvika nenguvai.Ndakapinda musitting
ndikawona Vanesa asimo,ndanga
ndamusiya imomo saka ndofunga anga
aneta nekumirira ndokubva ayenda akasiya
mota.Ndaida kubvisa zvandanga ndapfeka
plus makumbo anga azara shena
yekufamba ndichimbumura huruva saka
ndaida kumageza.Ndichingovhura door
repabedroom ndakawona heano
mashura..Vanesa anga akatorara
zvake,uniform yekubasa kwake anga
ayikumura ayisa padivi.Ndakapererwa
nezvandaiwona.Pandakavhura door akabva
atosvinura ndokunditarisa avakusekerera.

"Wadzokaka,Apa wazononoka asi


wazonotenga zvinhu zvacho kure?"

End of chapter 8
MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI

APP:+27610921330
https://chat.whatsapp.com/FT2074lGMYu2T
PRNaP8rmA

AND
TJ....+27610581531
https://chat.whatsapp.com/DLl9K6ebDlrEqL
nttJM9GH

CHAPTER 10

Felly.

I still remember when i was grade 6 sisi mai


Tanya vasati varoorwa nababa Tanya,
vakanga vane umwe mukomana
wavaidanana naye ainzi Alick. Munhu wese
ainge atarisira marriage pavaviri ava Alick
achivimbisa kuti ukapedza chikoro ndobva
ndakuroora. Mai Tanya vainge vakapa
moyo wavo wese kuna Alick zvekusvika
pakufana kutumidza vana vavaizomuzvarira
mazita. Havana kana kuzosvika form 4
yacho ndipo pavakanzwa kuti Alick
akatizirwa nemusika aiva nenhumbu. Sisi
vangu vakachema zvekusvika pakuita 2
weeks vasingaendi kuchikoro, panguva
iyoyo ndaitoona kunge vakapusa coz
zvaindinetsa kuti sei varikuchemera munhu
nekuwanda kwakaita vakomana.
Ndakazozviona pandakazosanganawo
nazvo, kwaiva kusaiziva kuti what is love
kunyanya isisu vanhukadzi kana wada
munhu unenge wakutarisira kuroorwa naye
kwete kutambisirwa nguva. Mashoko
akataurwa namama vangu vachinyaradza
mai Tanya ndiwo andakabva ndarangarira.

_Mwana wangu Faith zvino urikuda


kuregera mumwe munhu here? Zvichida
ndiMwari vaita zvidaro vatokuratidza musati
maroorana kuti mukomana uyu haasi wako,
what about dai zvazoitika waroorwa
pozouya mumwe achiti ndine nhumbu
waitozviuraya ka?_

_"Aaagh mhamha munodaro nekuti


hamuzive kuti ndaimuda sei Alick"._

_"Ane chii chako chaanacho, akamborara


newe here handiti uchiri mhandara
yakakwana? Just forget about him uite
zvechikoro wako murume achakuroora
anouya"_
Ndiwo mashoko andakarangarira ndikabva
ndazvisimbisa asi zvichakadaro
zvandakaitirwa naBee hazvina kubuda
mupfungwa dzangu,

"anoziva kuti ndirinherera saye but why


ada kundirwadzisa soo? Ko iko kuzoita
chivindi chekutwasanudza tukumbo twake
kunge karoad runner achiuya pano,
anonatsa kutembei chaizvo?.Vanhu
vakaona wakanyarara vanofunga kuti
wakadzungaira of wich ndakabarwa
ndakadaro zvekutaura handide. Asika
ndaneta nekuitiswa ini shit dzevanhu"

Ndaitaura ndega musi wakanga wauya Bee


achida kuzviita mutsvene but
ndakamuratidza kuti zvaakaita handina
kuzvifarira akadzokera kumba
kwavo.Ndakanga
ndakagumbuka,ndisingade kana nekunzwa
hwema hwake.Kana dai ayizoramba
achidzoka,zvaida ayizozviwana ndainge
ndava nehushingi hwekuti chero mumaoko
ndaipinda naye even though ndaimutya
since aiva mukuru kwandiri ne3
years.Munhu wepi anoita seasina
kusvinirwa mukaka akakwizirwa negokora
pachinhu chake kuti chisangovaviwa
nemunhu wese Nxaa?.

Ndirimundangariro kudaro ndakabva


ndafunga
kwekuyenda hangu,kure naTomy naBee
kwandaizofurwa nemhepo pasina munhu
ayizondinetsa.

"Ko iko seyi nguva dzese ndichirwadziswa


nevanhu vandinoda too much,am i cursed
or something?"

Ndakazvibvunza mubvunzo ndokupedza


kwakuzvipindura zvekare

"I must call sisi Mai Tanya.Ndinzwe kuti


kumusha kwacho toyenda when nekuti
pamwe kuda minyama ndikwo
kwayakubva"

Ipapo ndaitotaura ndichitsvaga number


yaMai Tanya mufone mangu.Ndakaiwana
ndikabva ndafona ndokutaura navo rwendo
rwuya rwataiva tambotaura tikasiira
munzira

"Hazvina mhaka unouya mangwana


toyenda.Ndakawonaka usina kundipa
mhinduro dzizere ndikafunga kuti pamwe
kuda ahuna kuzvifarira hako"

"Ayiwa ndaimbotsvaga mari yacho yebus


plus ndakamboita 3 days fon yangu
yakadzima."

"Ok mainini.Huyai tiyende tongonopedza


mazuva todzoka"

"Horyt.Regai ndiudze tete"

Tete vacho vanga vatopinda mubedroom


mangu vamirira kuti ndidambure fone
vawone kutaura.Ndakakata fone ndokugara
pabed ndamirira kunzwa mashoko avaida
kutaura sezvo vaitaridza kuvamunhu anga
apinda anechekutaura.
"Chiiko chirikumboitika pakati pako
naBee?"

"Hapana Tete"

"Unoti hapana seyi?Andisi mwana


mucheche Felly.Nezuro uno waitaridza
kusawirirana naTomy,mushure mazvo
kwouya Bee iwe wacho wakungoswera
wakakwindimara kunge munhu arikuda
kusvikirwa nemudzimu"

Ndakangovatarisa zvangu ndokutosimuka


ndavakutanga kurongedza hembe dzangu.

"Mangwana ndichayenda kuKwekwe.Toda


kuyenda naSisi Mai Tanya kumusha
kunosakurira makuva anaDady"

"Unotaura zvinhu zvako watopedza


kuronga seyi?.Wakaitei chaizvo chawakuda
kutiza muno muHarare?"KwaMai Tanya
kwawakasoobva kare kare nhasi
wongofuma woti wakuda kuyendako. How
many times ndichikupa mari yekuti
imboshanyira sisi vako uchiramba, chiripo
chete chihombe chawakaita Felly, iyeyo
nyaya yezvima secret zvako
ndozvatichakonanirana. Same Same
pawakabva kuKwekwe it seams like wainge
wakonana namai Tanya but
pandaikubvunza waingoti long story tete."

"Andisikuyendako Tete,ndirikudarika neko


izvo zvamavakutaura zvakasopfuura
kudhara plus namai Tanya hatina
kumokonana isu. Asi ivo vakakuudzai kuti
takakonana kani"

"Saka apa urikutizei?"

"Hapana chandirikutiza Tete asi ndoda


kunogadzira pakarara vabereki vangu..Is it
a crime?"

Ndakanga ndakwidza voice ndatotsamwa


nekuda kutokandirwa nyoka mhenyu.

"Handina kuti usayenda.Ndabvunza chete


zvirikuitika pakati penyu mutivatatu"
"Udzwai naBee"

"Bee andiudza her side of story,ndavakuda


kunzwa yako"

"Tete magara mopa ini mhosva.Izvo


zvamaudzwa naBee ndizvo.Chindisiyai
ndimbonofema,ndine zvakawanda
zvandinoda kunotaura kuvabereki vangu"

Misodzi yakanga
yavakuyerera.Ndakakurirwa neshungu
ndokudzoka kugara pabed
ndavakuchema.Mavanga ekare akanga
amuka pandakataura kuti ndaiva
nezvakawanda zvekunoudza vabereki
vangu.Tete vakafamba ndokusvikogara
padivi neni vavakundinyararidza.

"Felly mwana wehanzvadzi


yangu,handikuvengi.Ukawona
ndichikubvunza ndinenge ndichida
kunzwisisa kuti ndiwone matangiro.Zvino
iwe kana wavakuchema apa usina kutaura
woda ndiite seyi, inini nditori mubereki
wako zvandiri ipapa i think thats why Mari
vasina kundipa nwana ndichikuona iwewe
namai Tanya mutori vana vangu"

"I think i wasn't created for happiness tete.


Kungodawo mufaro someone anouya
osvikobvuta mufaro wangu"

"What do you mean?"


"Bee arikudanana naTomy and vakatorara
vese"

"Unechokwadi here chezvaurikutaura?"

"Yes"

"Iwe wakaziva seyi?Bee ahana kundiudza


izvozvo.Iye arikutotiwo iwe urikumufungira
zvasina kuita"

"Tete iam not stupid.Zuva riya ndakasvika


Bee asina kupfeka.Pandakasvika ayitaridza
kusada nezvangu,ndomubvunza
nezvaTomy akati ahazivi pedzezvo Tomy
wacho osvika apa zvichitotaridza kuti
vaitaura vose.Asi kwandiri akat anga
atovawo netime"

"Ndizvo chete here?"

Ndakagutsurira musoro Tete vakayendera


mberi nekutaura.Vakataura kuti Bee akanga
avaudzawo kuti ndanga ndakatsamwira
nyaya imwecheteyo.Chakandirwadza Tete
vanga vavakutoblamer ini vachiti
ndaifungira shamwari yangu zvakaipa ende
ndakazvishora kuti chandavaudzira.

"Ahufaniri kufungira umwe wako.Ipapa Bee


arikupa iwe mhosva.Waidai wakamirira
wonzwa kuti yaiva nyaya yeyi nekuti
wavakumupomera.Ndoziva kuti mukomana
wako unomuda asizve akauya kumashure
kweshamwari yako.Moparadzaniswa
hushamwari hwenyu nekuda
kwemukomana here nhai Felly?"

"Tete ndakuudzai kuti Bee was half naked


infect anga asina kutopfeka nekuti chero
chinhu chake changa chakadhindira,Tomy
achisvikawo and vaitaridza kuti hurongwa
hwaivapo vaiva vatohuronga.Saka Bee
ayizondinyepera seyi kuti anga asina
kumbotaura naTomy?"

"You wont find all the answers if you keep


on avoiding them.Vape time to explain then
wozodecider nekuti azvibatsiri kublamer
munhu without a proof.I know ukurwadziwa
asi imboyenda kumusha tozodzoka totaura
ndofunga unenge waserera"

Vakaguma nekudaro Tete ndokutanga


kundibatsirawo kurongedza.Ndakapedza
ndokuyenda kunobika natete
vachingondiudza kuti ndaifanira kuregerera
Bee naTomy zvese.Handina kuvaudza kuti
ndanga ndatobvisa number yaTomy
mufone mangu ndakangosiya
zvakadaro..Takapedza ndokudya hedu
kwakuzoyenda kunorara..

Chifumi ndakamuka ndikaperekedzwa


naTete kuMbare.Ndakakwira bus rangu
avamasikati ndanga ndatosvikakuKwekwe
kwasisi vangu.Vakanditambira zvakanaka
uye nemufaro sevanhu vanga vagumana
kare chaiko.Kubva zvandanga ndapedza
chikoro handina kuzodzoka zvekare kumba
kwavo.

"Long time Felly kubva wayenda


kwakuyenda mwana wamai vangu ko
takatukana here?"

"Kana sisi kungoverengera mufunge"

"Ndogara ndakataura nabamukuru vako


ava kuti Felly achinja zvekuti,kubva
wafuratira chaiko"

Vakanga votondisvota nenyaya yavo


imwechete yaisapera.Bamukuru vaivapo
vachitsigirana nemudzimai
wavo.Ndakaurairwa huku ikakangwa yese
sisi vachifara zvekufara zviya.Ndaitovawo
nezvangu zvaindinetsa andina kana
nekudya sadza racho.

"Ko zvausina kana kudya nhaywe?"

Bamukuru: "Vasikanaka ava..Pamwekuda


vakutofunga vakomana vavo vavasiya
Harare uko kunevakanaka
sengirozi.Vanotamba nemvura sekunge
vakabhejwa"

Vaitaura vachisekerera kuwonekwa


mavende avo ayiva kumatadza asi ini
handiba kubudisa zino panze..Handina
kutandara ndakakumbira pokurara ndaida
kuzorora.
"Ko kukasika kurara?"

"Ndoda kuzorora Mai Tanya.Ndaswera


ndichifamba mangwana ndomukirazve
panzira"

"Kana uchida tozongoyenda kuswera


mangwana umbozorore"

"Ayiwaaa aah azviite.Ndoda kukasika


kudzokera"

"Kuneiko Harare nhaywe Felly?"

"Tete varivega Mai Tanya"


"Haaa iwe kuti mwana mudiki here
Tete?Manje manje unenge watovasiya
wavakuroorwa"

"Eeeh ndiwaridzirei zvangu ndizorore ini"

Ndakadaro ndatosimuka kuda kupuwa


pekurara.Mai Tanya vakandiperekedza
kuroom kwandaizonorara
ndokumbosvikokurukura tavaikoko.

"Zvirikunzi vabereki vedu


vakagumbuka.Hanzi hatisikuvacheuka saka
ndakafunga kumboti tiyende.Tonopedza
mazuva edu tiripo pamba,tichisakura
nekugadzirawo pamusha"
"Handizvirambe Mai
Tanya.Ndikungosangana nezvinhu
zvakaoma hazvo"

"Ko chii Felly?Ndakuwona kuti


unezvirikukunetsa pawasvika.Kana kudya
ahuna kana kumbodya zvachose apa
ndanga ndatofarawo kuti mwana wamai
vangu andishanyirawo"

Ndakarondedzerera Mai Tanya nyaya yaBee


yose vakarwadziwa.Chakanyanya
kuvarwadza ndechekuti Tete vaitosupoter
Bee pachinhambo changu.

"Zvakaoma wena.Ivo tete vanogoti


shamwari yako ahisi wrong vakazviwanepi?
Shamwari ndidzo dzakatoshata Felly
mukore uno.Dzimba dzakawanda
dzirikuparadzwa nekuda
kwemashamwari.Andingazvirambe kuti
vane zvavaida kuita.Ko kana pasina
chavakaita belt raitsvagei mumota?"

"Zvakaoma Mai Tanya.Regai timbowona


kwazvichagumira"

"Saka iye arikutii Bee wacho?"

"Andina nekumupa mkana wacho ini"

"Ndopawakaresva,waidai wakanzwa
manyepo aida kutaura.Wonzwazve side
remukomana wako wowona kuti
zvaifambirana here"

"Ndakabhoyekana MaiTanya.Ndichawona
hangu"

"But dont worry mwana wamai vangu


remember zvandaitwawo naAlick gore
riya." Vakadaro vachizevezeea uku
vachicheuka cheuka kurikutya kunzikwa
nabamukuru.

" Chiisiyai nyaya iyoyo tingazonzwikwa,


munoziva ndizvo zvandakaswera
ndichifunga nezuro (ndakabva
ndamboseka) Pamwe ndirikuronda
matsimba enyu."

" At least watombosekawo, ndafara mwana


wamai vangu ndaona mazino ako. Kwindi
Kwindi yako yanga yakundibhowa ndanga
ndisingamborari mushe nhasi.' Vakadaro
vachisekawo kwakurovana maoko.

Takazochinja nyaya tava kuronga nguva


dzataizobuda mangwana ndokubva
vayenda havo kwakundisiya
ndega.Pandakasara muroom umu handina
kuzowana hope kusvika kunze kwachena
ndichifunga kuti ndichazodanana futi
nemunhu akaitasei.Ndakamukira kuisa
mvura yekugeza ndokutogeza Mai Tanya
vasati vamuka.Ndakazovamutsa
pandakavaisira mvura kuti navo vageze
tiwane kubuda nguva dzichipo.
Takazobuda kwatova kuma 10 Mai Tanya
vaitononoka zvavo.
Takasvika kumusha ndokurara sezvo
kwanga kwasviba.Chese chaida kuitwa
taizochiita kunze kwachena.

Kunze kuchiyedza takayenda kumakuva


kunova kwaiva kwakaradzikwa vabereki
vedu.Pachuru panga pazara
masora,waitotadza kuwona makuva nekuti
anga afushirwa.

"Wazvionaka kuti munyama ahungatadze


kuteerana nesu?"

"Yah ndirikuwona"

"Tototanga nekusakura pano.Tozopedzisa


nezvimwe"

Takawirirana ndokunotora mapadza


tavakutanga kusakura. Zuva iri takaswera
pachuru tichisakura nekupashongedza
zvakanaka.Takambogara hedu patakapedza
tichinyatsoona kana zvaiva zvaita.Mai
Tanya vakataura mashoko kuvabereki
vedu,vakakumbira ruregerero
pakumbofuratira kwataiva taita kwemakore
akawanda kudaro.

"Ahunawo zvaurikuda kutaura here?"

Vakandibvunza ndokubva ndavatarisa.

"Endai henyu,ndichasara ndichitaura


ndega"

Avana kuita nharo vakandisiya ndiripo


pamakuva.Ndakaramba ndakavatarisa
vachifamba kusvika ndisisavawoni.

"Dady,i know zvese zvandichataura


muchazvinzwa.Mhinduro ndingatadza
kuinzwa asi zivai kuti kwamakayenda ikoko
kusina anoziva ndirikukufungai.Raramo
yangu izere zvipingaidzo kubva
zvamakayenda,ndinoshaya wekuturira
zviripamoyo pangu nekuti handina
wandichavimba naye pasi pezuva.
Ndinorarama nemibvunzo isina anopindura.
Dai maiva pedyo neni ndaizokuudzai
nhunha dziripamoyo pangu pamwe kuda
ndimi maizogona kundinyaradza.Dai
kwamakayenda kuchinyorwa tsamba kana
kufona ndaizofonawo kukumbira kutaura
nemi.Upenyu hwangu hwakazara
munyama,jambwa nerushavashava zvisina
ani nani pasi pezuva.Ndinoziva murikunzwa
uye zviripamoyo pangu
mozviziva..Handikwanise kutaura zvose
nekuti ndinotya kuramba ndodzimbira
moyo wangu asi ndoda mundiporesewo
moyo wangu.Moyo wangu uzere neruvengo
uye maburi ematambudziko
ekare..Ndiudzireiwo mhamha vanditarire
pakufamba kwangu.Handina wekuudza
zvanetsa ndiko saka ndauya kushuma
imi..Forgive me for not coming back
kuzotarisa pamugere kuti pakachena here,i
promise to come back each and every
month just to check up on you..I love you
all"

Ndakapukuta misodzi yangu


ndokumboramba ndakagara pamusoro
peguva raDady vangu.Ndakazotosimuka
patova paya ndavakudzokera
kumba.Ndakasvikowana Mai Tanya
vatogeza,vaisawo mvura yangu yekugeza.

"Ndanga ndototi pamwe wafunga kurarako"


Vakadaro vachitoseka zvavo.

"Ayiwa ndanga ndichiuya"

"Maziso ako arikundiudza kuti


wambochema"

Vakanga vawonawo chokwadi.Ndakakanda


badza pasi ndokugara ndakarereka musoro
wangu.Dai Mai Tanya vaiziva chaicho
chaidya moyo wangu vaisva
vazondionerawo plan.Vakatora chair
ndokuuya kugara padivi pangu vakaita
kundikotamira kutarisa kumeso kwangu.

"Felly nyaya yemukomana wako ndiyo


chete irikukudya here kana uneimwe?"
"Ndiyo yega"

"Saka ndiyo wanga uchichema here?"

Ndisati ndatovadaira ndakanzwa pamoyo


pangu kurema.Aya mashoko ayisazoita
kutaurira chero ani zvake kunyanya ivo Mai
Tanya.Ndakayeredza misodzi ndakavatarisa
ndokubva ndasimuka kumhanyira mumba.

"Felly dzoka,saka wavakuyenda kupi?"

Handina kuvapindura ndakaramba


ndichiyenda.Ndakasvikopinda mumba
ndokumbonatsochema ndirimo,ndainge
ndavakushaya kuti ndotizira kupi chaizvo
kwandaisazogara ndichichema.Dai misodzi
yaiita semvura inogadzira hova ingadai
matama angu atova nerwizi rukuru nekuti
nekuti kuchema kwacho kwainge kusisina
zororo kunge mvura yemubvumbi............

End of chapter 10
MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI
APP: +27610921330

AND

T.J.....+27610581531

https://chat.whatsapp.com/FT2074lGMYu2T
PRNaP8rmA

CHAPTER 11
Beauty

Aya ndiwo aiva mashura akaunganidzwa


akaiswa panhu pamwe. Ndakada kubatwa
nesetswa, ndakazvidzora nekuti
zvaisasetsa asi zvaitobhowa, dai yaisava
nyaya yekuti ndainyengerera kuzonziwo
mudiwa wangu nehanzvadzi yake Vigilance
ndaigona kurova Vanessa chete nxaa kuda
kundipa munyama nekundionesa chitsoka
chemhene chake. Ndakamboda kubuda
muroom maaiva ndimusiye ega asi
ndakaona kuti better kutaura naye ndinzwe
paiva nepfungwa dzake.
"Hezvoo nhai tete ko kuzorara makashama
kudaro kwakanaka here?" Ndakadaro
ndichiita kunzwa kusemeswa chaiko, ko iko
kuzoshadabura makumbo kunge munhu
amirira kuti murume akwire pamusoro
pake.

" Kurikupisa uku maiguru, ko kutyei zvangu


kushama pabed yamaiguru." Akadaro
achiwedzera kuvhura makumbo rimwe
richitotsika kumadziro, ndakatarisa pakati
pemakumbo ake nekubira ndokuona
pakatoshama zvese nekunyorova
nechemumoyo ndikati "Jeso weNazareta
huyai mundionere zviripano."

" Zvakaoma hazvo, manje inini ndirikuda


kubuda ndoda kuenda kutown, madini
mamboenda kumba kwenyu mozodzoka
time time."
" Ndokumirirai ndiripano hangu, kumba
kunobhowa uko ndiringega chero hope
dzacho handidziwani. Ko madini mazoenda
kutown kwacho mangwana taswera tese asi
zvamanga muchida kwamanga maenda
mazvishaya?"

" But zvakafanana handiti muchasara


mega, hazviiti kuti ndiregedze kuenda kune
zvakakosha zvandinoda kundoita"

"Togona kuenda tese kana kuti ndokupai


mota mokasika kudzoka, handiti mogona
kudriver here?" Ndakarohwa nehana
pandakanzwa zvekupiwa iro zibango
remota, ndakabva ndasekerera zvangu.

" Ndipei henyu ma key ndogona kudriver


sarai makazorora asi chivharai makumbo
enyu muchapindwa nemhepo."
Ndakanyepa zvangu mota ndainge ndisina
kana ruzivo nayo asi kuda zvinhu ndiko
kwakandikurira, vakasimuka pabed pavaiva
ndokutora makeys emota nemari 20usa
muhand bag kwakunditambidza.

" Mopfuura nepagarage muchidirisa fuel


ndanga ndichitozvinzwira nungo
zvekumboenda kufuel kwacho, matoita
basa henyu. Inini handichatorari regai
ndikubikirei, kana mavakudzoka murikuda
kudyei? " Aidaro achivhura muwadrobe
yangu ndikashaya chaaitsvaga, handina
kumubvunza hangu.

" Aiwa musazvinetsa maiguru ndodzoka


ndichikubikirai rarai henyu." Ndakadaro
ndichiitira kuti vasazondiona mabudire
andichaita nemota yavo nekuti pane
zvandainge ndatogaya.

" Handichatorari ini, ipapa ndirikutotsvaka


something chekupfeka pahembe dzenyu
ndiwane kundobika, remember ndoseenza
pahotera zvekubika bika izvi ndozvedu."
Akatora hembe dzangu dzaaikwana ndobva
apfeka, achipedza akanditarisa achiita
semunhu arikuyeverwa nemudiwa wake.

" Maiguru makandikoshera muupenyu


hwangu mufunge, ndinoshaiwa kuti nguva
yese iyi maiva kupi. Moyo wangu urikunzwa
kuda kugara nemi pano ende imba iyi
ihombe ndogona kundotakura zvinhu
zvangu ndouya nazvo pano togara tese."
Moziva ndakapererwa henyu asi ndakaziva
kuti zvese izvi zvaikonzerwa nemvura
yavakamwa, ndainge ndava nestress
nezvanga zvoitika.
"Dai ari murume it was better zvino zvaari
mukadzi ndichaitasei?" Ndakataura ndega
mumoyo ndakavatarisa ndokuona
vavakufambisa muromo wavo vachiunza
kwandiri kunge munhu anoda
kundikisa,ndakabva ndasuduruka zvishoma
nezvishoma ndichida kuona pfungwa dzake
ndokuona munhu avakutochinja face yava
kuita munhu arikuita sex uku achibata-bata
kuzasi kwake. Ndakazoita zvekutiza
mubedroom mataiva kwakumuvharira door
ndikakiya ndokumusiya akadaro,
pandakabuda panze ndakabva ndananga
kumota yake. Ndakanatsa kuvhura
kwakupinda mukati kungemunhu anogona
kudriver, pandakada kuimutsa ndipo
pandakaona kuti yaiva manual ndikaona
kuti no go area. Ndakaburuka
kwakumhanya netsoka ndakananga kumba
kwamadzibaba, ndakasvika ndikatambirwa
ne next door yavo vachibva vandiudza kuti
madzibaba vakasimuka nezuro vakaenda
kuSouth Africa.

" Saka varikukasika kudzoka here?"

" Ummm vaiti next year chaiyo not zvegore


rino coz ndokwavavakundoshandira."

Ndakatanga kuruma ruma chikunwe


ndichigaya kuti ndozvifambisa sei asi zano
chairo ndakarishaya, ndakaita kugumirwa
nekufunga chaiko. Ndoaiva mazvokuda
mavanga enyora andanga ndaita, ndakanga
ndazvigokera moto muziso ndikazvitosvora
ndega wekuchema naye ndopainge
pasisina since madzibaba vanga varova
pasi. Neniwo ndoshaya chandaida
kupfuhwira Tom kunge aiva mukomana
wangu, dai Vanessa asina kunwa mvura
iyoyo ikazonwiwa naVigie senane. Handiti
dai zvaarikuita izvi ari Vigie ndisina kana
stress ndichitofara soo, nxaaa regai
ndidzokere kumba ndinomudzingirira
pamba pangu coz ndogona kuzopedzisira
ndaitwa zvimwe. Apa chinhu chake hakusi
kunyadzisa kwachinoita kubva changoita
ruware kunge chemwana azvarwa nhasi,
inini hangu handina zvidhori zvacho but i
am better than her zva Vanesa zvazonyanya
dai akasaizowanikwa hake nemurume ane
zvibinge otherwise anosiiwa akasvunura
sedemba neruware rwake irworwo.

"Nhaiwe ko zvawangomira ipapo handiti


ndakuudza here kuti madzibaba havapo."
Vakadaro baba vaya vaigarisana
namadzibaba coz ndanga ndatora nguva
yakareba ndakamira panzvimbo imwe
ndichifunga.

" Sorry pane zvandirikugaya, ko imimi


munonzani?"

" Ndinonzi baba Pee."

" Hoo mai Pee varipi?"

" Kubasa vanoshanda kuMbare."

" Ndokumbirawo favour, munoziva kudriver


mota here?"

"Hongu ndinogona ndirikutotsvaka basa


redriving."

"Ndokumbirawo munondi drivira mota


yangu."
"Unondipa marii?"

" Toona mapedza basa "

Vakakiya door ravo nekukasika ndobva


tananga kumba,pandainge ndosvika
ndaiteerera kuti Vanessa haasi
kundisheedza here sezvandanga
ndamusiya achiita. Ndakanzwa iri ziro ziro
nechemumoyo ndikati shasha inenge
yazorara, takapinda mumota ndokupa baba
P madirection ekwandaienda. Baba
vaitaurisa ivavo, kuda kuzoziva kuti mota
ndakaitenga kupi uye marii plus zvimwe
zvavaitaura zvekuti clush yazodini here wee
what what, handina kumbozviisa
mumusoro ini nekuti handina chandaiziva
pamota uye yaisava yangu. Takasvika
pamba paTom ndokuona mota yake
yakapakwa panze ndikaziva kuti aripo,
sezvo ndaiva nababa Pee vaiva vakasimba
simba handina kutya kundogogodza
pamusuwo wake. Akatora nguva asina
kudaira ndokuzodaira achiita semunhu
arikubva kuhope.

"Mamukasei, ndini Beauty vhurai door."

" Beauty!?"

" Mukai bamunini titaure ndini Beauty


chaiye shamwari yaFelly."

" Lets hope wauya kuzotaura nyaya kwadzo


otherwi......." Akabva amira kutaura
paakavhura door achisanganidzana nababa
Pee.

"Endai munondimirira kumota ndirikuuya "


Ndakadaro ndichiudza baba Pee, havana
kupikisa vakangogutsurira musoro ndobva
vaenda. Tom akaramba akamira akatarisa
baba Pee zvairatidza kuti ane mubvunzo
pamusoro pavo ende aiva nekutya,
nechemumoyo ndakati handiti
akambondityisawo now this is my time.

" Dont worry haana zvaanokuita asi dei


ndarega vauya vese vari 5 ndopaizoita
ma1'"

"Ma 1 eyi manje apa urikuda kundityisa


here ndifonere mapurisa now tione kuti
ndiyani achahwina?"Akadaro achibata bata
fon yake ndikaona kuti ndainge
ndakutozvipinza pama 1 chandanga
ndozvitangira.

" Ko unotya kudaro ndirikutamba ini


handina kuuya kuzoita hondo ndauya
kuzotaura newe murunyararo, uyo
mukomana wangu anonzi Vigie i think i told
you about him."

" Chero zvirizvehondo ndotoida hondo


yacho do you think i am happy
nezvawakaita? now handichadiwe naFelly
avakufunga kuti inini newe tinodanana."

" Thats why ndauya nemukomana wangu, i


wanted kukuonesa kuti zvandaiita paye
ndaida kuona kuti wakavimbika here kuna
Felly. Usatya ndabva kumba kwaFelly this
morning ndikataura naye arikungoda time
chete but iwewe usanyanya kumupusha
ndicharamba ndichitaura naye anonzwisisa,
she is my friend takawirirana nguva
yakareba before you."
" Remember i gave you 3 days,
ndikuverenga kwasara 2 days now
ndirikuzoda kunzwa kuti zvaita."

" Give me atleast 5 or more days please i


beg you."

" Hameno hako coz wadena muti unemago


this time, ndikada ndogona kuudza
mukomana wako zvawakandiita." Akadaro
achiita sign yekusheedza baba Pee mumota
mavaiva, ndakacheuka ndokuona vava
kuburuka.

" Noo Tom usadaro please


ndokumbirisawo, 2 days dzacho dzasara
zvinenge zvava sorted i promise you byeee
byee rega ndidzokere." Akaramba
akanditarisa ini ndobva ndatofamba
ndichibva paari kwakusangana nababa Pee
ndikavadzosa. Takafamba kusvika tapinda
mumota Tom akangotitarisa hameno
zvaaifunga. Takasimudzira rwendo nababa
Pee ndobva tapinda mutown, handitozivi
kuti ndaienda kundodini mutown macho
coz ndaiva ndisina mari kunze kwe $20 ye
fuel yandanga ndapiwa naVanessa.
Takandomisa mota pasaloon yandaiwanza
kurukwa ndobva ndavakumbira kuti
vandigadzire zvavainge vakambondiruka
for free since ndainge ndiri customer yavo.
Ndakatanga kuvanyepera hangu ndichiti
ndiye mukomana wangu ane mota yake,
ndaida kuzviisa palevel repamusoro sezvo
ndaimbotaura navo nyaya ndichivaudza
kuti handinyengwi. Mumwe musikana ainzi
Gracious akaratidza kufara nazvo achiti
"mubatisise murume iyeye even though
arimukuru kwauri." Zvakandibhowa asi
ndakaseka zvefake ndichirovana naye
maoko. "Age is just a number vasikana,
what about you une wezera rako asina kana
mota uye anototambura munhu
anozokuona akapfeka masiripasi mukore
uno haaa asina arinane." Ndakadarowo
ndichida kuti asvotwe ende ndakamugona
coz ndakanzwa mhinduro yake.
" Handitodiwo vane mari inini coz vanodiwa
nemunhu wese, atorinane asina chaanacho
ndoziva kuti ndewangu ndega plus mari
ndoidini hangu inini ndichigara ndakaibata
everyday." Aidaro achibata bata musoro
wangu.
" Mashoko enyaradzo ayo dear hakuna
asingadiwo kudya window."

" Hameno ini ndoda rudo rwemukomana


chete hameno imi munoda kudya
mawindow zvavakukupai kudanana
nemadhara. "
" Chisiya hako musoro wangu ndazviona
kuti warwadziwa neni, godo
munozorinyanya vasikana nxaa."
Ndakadaro ndichisimuka kubuda
mukasaloon kavo ndokudzokera mumota.

"Tava kuendepi now hona time


dzakupera?" Vakadaro baba Pee
vachiratidza kuti vanga vasisadi
zvekutenderera

" Ngatimbopinda ma Ok pandobudamo


toenda kumba." Vakangodzungudza
musoro ndokumutsa mota yedu tikaenda,
ndakabudisa musoro nepahwindo
ndokuona vaGra ne team yake vachiita
zvekundidongorera ndobva
ndavabhabharisa zviya zvekuti vasvotwe.
Tichisvika pa ok ndakabvunza baba Pee
kuti vaida kunwei vakangoti anything
chinotonhorera, ndakachinja mari
yaVannesa ye fuel kwakutenga madrinks
maviri ndichiitira kuti mari ichinjike.
Ndakadzoka kwakubhadhara baba Pee $5
pamwe chete nekuvapa drink ravo,
tichibvapo tikadzokera kumba.

" Ndipei number dzenyu kuitira next time


kana ndavakuda help zvakare ndokufonerai
tichingobhadharana." Ndakadaro
ndichivatambidza fon kwakuisa number
dzavo vachipedza ndobva vaburuka
vakaenda kumba kwavo sezvo tanga
tatosvika pamba.

Ndisati ndapinda mumba ndakatanga


kugaya zvekunyepa pamari yaVannesa
yandanga ndashandisa. Ko isu vana Bee
taimbopererwa here ndakabva ndatogaya
nhema kwakupinda
mumba.Ndakashamiswa pandakavhura
door ndokuona munhu akagara pabed
pangu achichema;

"Ko hanzii nhai?"

" Musadaro maiguru, saka kukufarirai


kwandoita imhosva here why manditiza?
Ndarwadziwa kusvika palast number chaipo
nekundikiira muno kwamaita apa ndanzwa
nenzara."

"Oooogh shem very sorry tete but imimi sei


manga mavakuda kundikisa?"

"Do you really want to know the truth?"


" Yes feel free."

" Kana ndichikuonai ndinonzwa mafeelings


angu achiuya, ndinoedza kuzvidzora but
hazvisi kushanda ende handisi kuziva kuti
whats really going on.?"

" Eeegh tete muri right right here?


murikuedza kuti chii chaizvo.?"

" Its true maiguru handisi kuzivawo kuti


chii?"

" Aiwa tete kana pakadaro chimboendai


kumba kwenyu maybe muri lesbian henyu
zvee."

Ndakadaro ndichivadhonza kuti vasimuke


pabed pangu,takatatarisana ndobva
ndavabudisa panze kwakuvakandira
makeys avo emota ndikakiya door rangu.
Ndakaenda pawindow ndobva ndatanga
kumupopotera nhema iye achikumbira
ruregerero. Akazopinda mumota make,
hameno kuti akazviona sei kuti ndainge
ndisina kudirisa fuel yaanga andituma.

"Ko maiguru hamuna kuzodira wani fuel


yandakutumai.?"

"Sorry tete ndakanganwa kukuudzai kuti


ndarasa mari yacho but ndichakupai back."

" Aaagh its ok don't worry


ndichandoshandisa imwe mari
irikumba,mosara bhoo handiti ndichapfuura
ndichikuonai ndavakuenda kubasa."
Akamutsa mota yake akaenda but moyo
wake waisada akangozoona kuti haana
option.Pandakasara handina
kwandakazoenda ndakasara ndichibika
mahinya hinya andainge ndavigirwa
naVanessa, ko chaiva chikafu
chepamusoro even fridge yangu yainge
isasagoni kufema, madrinks, mayorgut
netwumwe tunonaka. Aya aiva machena
chaiwo andanga ndapinda asi
chandaisaziva ndechekuti zvaizogumepi iye
munhu achitota kana andiona, mari yake
ndaiida zvese nekuzopiwa mota asi
pataizoburana nepakuda kukiswa for me
that was a big no.Manheru pandakaona kuti
nguva dzake dzekuenda kubasa dzakwana
ndakazvikiira mumba ndobva ndadzima fon
yangu kwakurara. Ndakazopepuka kuma9
ndichiita fon yangu on ndipo pandakaona
mamessages shasha ichinditsvaka
ndikatonyepa kuti ndanga ndabuda. Ainge
otoda kutandara achitaura neni sezvaanga
ajaira but ndakakasika kubuda online
kwakudzima fon zvakare.

Zuva raitevera ndakaenda kumba kwana


Felly ndipo pandakasvika ndichinzwa kuti
akaenda kumusha.Ndakaswera natete vake
ndichivabatsira basa pamwe chete
nekutaura navo nyaya yakanga yaitika, inini
vaisandishora but munhu wavaipa problem
ndiFelly and she promised me kuzotaura
naye adzoka.Nguva yandanga ndavakuda
kubuda ndakafunga diary riya sezvo moyo
wangu wanga wagara uchida kuziva
zvirimo. Ndakapinda muroom make
kwakuritsvaka ndichibva ndariwana
ndokuviga ndichiti ndozovhura ndava
kumba. Ndakaoneka tete but vakabva vati
ngatibude tese vachiendawo kumashops
kundotenga madomas. Patainge
tavakusvika pamba pedu ndokuona mota
yanga yakamira pagate but ndakaifananidza
neyaVigie, i think anga aedza kundifonera
akandishaya sezvo ndanga ndaswera
ndakadzima fon yangu ndichitya Vannesa.

Ndichisvika pedyo ndakaona zveshuwa


anga ari Vigie nayewo akanga andiona
ndipo pandakaparadzana natete. Ndakafara
veduwe ndichida zvekumumbundira but
face yake yaisava happy at all akangondipa
hug zviya zvekuti ndingadini.

" Ko ngatipinde ka mumba." Ndakadaro


ndichiita zvekumudhonza but he refused.

" Noo Bee ndafambira kuti tiende kwadoc."


Kuti ndirambe zvainge
zvisingaite,ndakabvuma coz neniwo wacho
ndaisaziva kuti ndine nhumbu here kana
kwete.Tirimunzira taitaura nyaya
yekurohwa kwandainge ndakaita naTom
but ndakamuti zvakatopfuura ndichiitira
kuti tichirega kutaura nezvazvo. Handizivi
kwaigara chiremba ava but takapfuura
nemutown, patakamisa mota achida kudira
fuel takabva tadhumana naTom. Ndakada
kumbomuhwanda asi ndakazoyeuka kuti
ndine diary yaFelly, ndakaburuka mumota
ndokuenda kwaaiva achipomberesa vhiri
remota yake mweya. Ndakasvikira
kumukwazisa ndobva ndabudisa kabook
kaye mubraa kwakumutambidza.

"Ndekei?"
"Ndokaya ka Felly kandaireva.?"

"How far wataura naye here?"

" Haako akaenda kumusha kwavo."

"Yoo inga zvakaoma saka akaenda asina


kundiudza apa akandi blocker futi so
ndiyani akupa kabook aka asi mune
zvaandinyorera. I hope mune good news."

Handina kuzomudavira ndakabva


ndasheedzwa naVirgie kuti tiende.

" Tozotaura pafon byeee."

Ndakamhanya kudzokera mumota


ndokupinda muroad.Takasvika pabasa
pachiremba vacho kuchinzi vachaisa,
ndakatora number dzavo dzaiva
dzakanyorwa pamadziro e office yavo
ndobva ndangodzi saver mufon mangu
kwakunyarara pane zvandanga ndatogaya
hangu. Takadzokera kumba Virgie
achiratidza kusvotwa zvisingaiti chero
nyaya aisambotaura dzine musoro
ndikatoona ndega kuti nhasi hapana
hapana never tinyesvurane sezvatakaita
pekutanga. Tichisvika kumba aida
kundiburutsa oenda kundorara kumba
kwasisi vake, panguva iyoyo Vanessa
akabva asvikawo akapfeka uniform
yekubasa zvairatidza kuti avakutoenda
kubasa..................

End of chapter 11.


MY ENGAGEMENT RING
WRITTEN BY DR KD MAZANI

App: +27610921330

AND
TJ....+27610581531
https://chat.whatsapp.com/FT2074lGMYu2T
PRNaP8rmA

CHAPTER 12

Tomy.

Dai ndainwa hwahwa i think panguva iyi


ndini ndaiita wekupedzisira kubuda
mubhawa ndozoenda kumba ndararadza
ndosvikira kurara. Mumba mangu mainge
musisanakidze kugara, kunyanya panguva
yandaiona ma photos angu naFelly
andainge ndakaisa kumadziro ndaikaruka
ndabuda mumba macho ndozvigarira
mumota. Ndakambofunga kuadambura
dambura ndoarasa asi nekuda kwetarisiro
yandakanga ndapiwa naBee day raakasvika
pamba nemufesi wake ndakangozosiya
zvakadaro. Ndakatanga ndicharwadziwa
kudzamara ndatojaira.Imwe pfungwa
yaindiudza kuti Felly aizondibvisa
pamablocking lists ake nekuti i knew
kurarama without me chaizova chinhu
chakaoma kwaari, the girl aindida nemoyo
wake wese achindiudza kuti kana ndinewe
ndinotoona kunge ndina mama na dady
vangu.Ndakatanga ndichatarisira macalls
ake or even missed call zvayo but apana
kana chaiuya. Ndaiti ndikafonerwa neumwe
munhu fon yangu irimuhomwe
pandoibudisa ndenge ndichifunga kuti
zvimwe ndiFelly asi pandoona asiri
ndaitanga ndaridza tsamwa ndongozodaira
phone yacho zvekuti ndingadini.I tried to
call several times asi yaisaringa kana
kudini ndaingoona phone yonyora kuti call
ended. Ndakanga ndakungotiwo kana
azorambisisa ndaizoona yekuita.I cant force
her to love me,kana moyo wake usisade
ibva ndizvozvo apana zvandaigona kuita.
Handiti zvinonzi ida anokuda asingakudi
siyana naye ukaita kumanikidza mangwana
unozochema, but pana Felly handaifunga
kuti ndingazochema ini nekuti ndini ndaiva
wrong.

The following day after Bee abva pamba


pangu nemukona wake, ndakapinda
mutown ndichida kuita madeal angu
semunhu aiva nemadeal akawanda
wanda.Pandaibuda out of country
ndaipuwa maorder nevanhu akasiyana
siyana so ndiwo andaida kumbotevera mari
dzangu.Ndirikutopombesa vhiri remota
pagarage ndipo ndoona mhepo
yanyavhuvhu Bee achisvika pandiri.Kubva
zvandanga ndaona Bee ndanga ndisina
kunyatsakumufarira.Nhasi tiri patiri nhasi
naFelly nekuda kwake.Moyo wangu
amheno wakanga wapindwa nei kuita
madeal naBee nekuti aitaridza kuti rimwe
divi remoyo wake rakaiswa moyo
weimbwa,rimwe ndokuiswa wechiya
chimhuka chinodya huku chinosvika
chosimudza zimuswe kumashure kwacho
kune zvinhu zvakaita kunge zviyo saka
huku painosvika ichida kudya chobva
chaibata, hamheno vakakurira kumusha
vanochidaidza vachiti kudii? ndizvo zvange
zvakaita moyo waBee. Paakandipa kadiary
achiti ndekaFelly ndakangoignowa
ndakakatarisa, pandainge ndoda
kumudzosera ndipo paakashedzwa hameno
kuti aifamba nani. Ndakangoridza tsamwa
ndikakakanda mumota ndisina
kukaverenga.Ndaitova busy kutsvaga mari
ini,nguva dzemakuhwa ndanga ndisina.
Musi uyu handina nemari yandakawana
pfungwa dzangu dzaiva dzongofunga
Felly.Nyaya yake yekunzi anga akaenda
kumusha yakandirwadza kusvika
pakutemwa nemusoro.Nevamwe vakomana
vaindikwereta andina
kutozovatevera,ndakatyaira kudzoka kumba
ndokusvikopaka mota padoor chaipo trying
to call Felly again asi it wasn't going
through.
"Felly how could you nhaiwe?Ndakatadza i
know but blocking me isnt a solution.Ipapa
woenda kumusha usina kundioneka.Dai
zvako wakangoti Tommy iam leaving the
town mybe zvaizova nane"

Ndaitaura ndega ipapo ndakatarisa


mufananidzo wepikicha yake wandakanga
ndakaisa pakachikwama kangu
kemuhomwe.Ndakavhara kachikwama kaya
ndavakudzika mumota.Ndanga ndafunga
kufonera Felly using imwe
number.Ndakabuda gate kuenda
netsoka.Pfungwa shoma kushandisa
vatenzi nebasa,ndakatosiya mota ndichiti
yaizondinonotsa kusvika
kwandaienda.Ndakazoona kuti ndanga
ndaita hudofo pandakasvika pavakomana
vaitengesa malines veEco Cash
vakavhara.Ndakateedza road ndavakuenda
pamberi pacho ndokuzosvika pakavhurwa
ndikatenga line rangu nyowani ndokutoisa
mufone ipapo ipapo.Ndakatenga airtime
yakawanda sezvo ndaiziva kuti iri line
raizokwanisa kufonera number yandaida.
Ndakatanga kufamba ndavakudzokera
kumba asi pfungwa dzanga dzavakuita
sedzanga dzabuda mudehenya dzikaenda
pahuro chaipo.Ndainzwa kuzvimbirwa
nestress,zvekuti dai yairutswa musi uyu
kana bucket ndaizadza.Ndanga
ndakazvitsamwira uye kutsamwira Felly
again.

"Why running away?Taifanira kugara pasi


totaura panekundisiya just like that Felly.Ini
ndaiti ndikukupa time to heal iwe
watofungawo zvako"

Ndaitaura ndega munzira yekudzokera


kumba.Ndakasvikogara mumota ndimo
ndakazofona ndiri.Fone yaFelly yakaringer
kekutanga ahina kudairwa kusvika
yakata.Ndakambofunga kuisa paprivate
ndikaona kuti zvaisabatsira nekuti this was
my new line,saka machances ekuridaira
aiva mashoma sezvo anga
asingarizive.Ndakadzokorodza kepiri
ikakata zvekare,yakazodairwa rwetatu
ndisisina tarisiro yekuti paiva neaizodaira.

"Felly's fone hello?" Ndakanzwa voice kuti


aisava iye.

"Can i talk to her"

"Ndimi aniko imi?Tangaika matimhoresa"


"Ooh sorry.Murisei,ndingataurawo naFelly
here?"

"She cant talk ryt now.Ndimi ani?"

"Why,where is she?Mupei fone ataure"

"Mukwasha ndati Felly ahasikukwanisa


kutaura now.Ndimi aniko?"

"Iam Tomas"

"Her boyfriend right?"


Vakabvunza ndokumboita nguva
ndakanyarara.Ndaifunga kuti ndopindura
here,asika ndaisaziva kuti aiva ani
wandaitaura naye.

"Matadza kuudaira here mubvunzo?"


Vakabvunza mai vaiva pafone ndokubva
ndambomedza mate kwakuzovapindura.

"Yes i am her boyfriend"

"Saka mukudei?"

"Like i said,she's my girlfriend so i want to


check if she's fine"
"You are so stupid wandinzwa iwe
Tomas?Unoita chivindi chekufonera mwana
wamai vangu uchitaura zvekwausingazive
kuti zvidii?Stop calling her,iam sure Bee is
there ita yaunoita neshamwari yake usiyane
nekutifonera zvenhando"

"Gulez let me explain nyaya yamurikuda


kutaura"

"Urikuda kuexplaner kuti how sweet was


Bee"

"I didn't sleep with her.Ndaigara ndichiudza


Felly about her friend asi
asingandinzwisise.Yes i was trapped by her
tricks but i promised her not to repeat that
same mistake"

"Ooh so now you want to put the blame on


her, urikuda kuwedzera mwana wamai
vangu stress handiti? Akangofa chete
ndiwe unenge wakonzera rufu rwake."

"Its not like that Gulez asi ndikuda kuzama


muonewo kuti Bee uyu handina kurara
naye.Hongu akada kuita zvaakaita asi ini
moyo wangu wakada Felly kubva kare even
now i still love her."

Ndakarondedzerera Sisi vaFelly nyaya


yakanga yaitika.Handina kuvaudza kuti Bee
akambondibata bata kusvika pakuda
kundikurura bhurugwa, ndakangovati
ndaidawo kutobvunza kuti Felly aivepi
ndipo pandakawana varivese ndobva Felly
azotisiya mumba tiri 2.

"Nekuda kwezvamakaita kuenda kuback


kwemusikana neshamwari yake
kwakamurwadza.Bee isnt herself kubva
achiuya kuno.Anochema zuva rega rega,as
iam talking to you now she's
crying.Ndosaka ndati amukwanise kutaura
naye. Dai paakakusiyai mumba maBee
wacho makamuteera same time do you
think aizofunga kuti makarara mese.?

"Gulez ndoita sei?Ndipei madirections so


that i can come i really love my bae maybe
tikazotaura nyaya iyi live
munondinzwisisa."
"You cant come here.Imbomirai kana
aserera ndotaura naye ndozokuudzai.Asi
imi zivai kuti zvamakaita zvirikurwadza
mwana wababa vangu and i wont stand
ndichiona muchimushungurudza
kudai.Murimukomana akaita sei
nhayimi?Felly aonda kunge kanyama
kembudzi kakaomeswa, sei musina moyo
wemunhu?"

Sisi vaFelly vakapopota zvavo


ndakangonyarara.Ndaiva wrong saka
kuzopindura kwaigona kuvakwidza bp
zvikatozodirwa jecha.Pandakanzwa voice
ravo ravananai pahasha ndakabva
ndakumbira neizwi rainzwisa tsitsi.
"Ndazvinzwa gulez i will change.Can i
please say something to her?"

"Regai ndiise fone panzeve pake"

Ndakanzwa kuti kwarara kwarara,voice


rasisi vacho rainzikwa kure kure vachiti
angonzwa kuti ndaida kuti kudii.

"Taurai ndamupa"

Vakapedzisira vadaro ndikanzwa


kakushinyira.Anenge Felly aizvidzora
kuchema nekuti kapeace kevoice rake
kaibuda pakuchema ipapo.

"Babe iam sorry.You should have stayed


babe totaurirana panekuenda kure neni
kunochemera ikoko.Apa wopedza
wondibloka,i know ndakatadza babe asi
ndokumbira undiregererewo
ndakumbirisa.Just say something Felly
ndizivewo kuti wanzwa zvandataura"

Ndakafunga kuti achadaira asi andina kana


chandakanzwa chaakataura.Pakatozouya
sisi vacho pafone vavakunditi akanga
azvinzwa.Vakaoneka vachiti vakanga
vavakuda kumbomubikira sezvo anga
amboramba kudya masikati,saka vaida
adye something chaipisa.Pavakakata fone
ndakanzwa pamoyo pangu
kurwadza,ndakanzwa misodzi yavakuda
kubuda semurume
ndokuzoigamha.Ndakaramba ndakagara
mumota muya ndichidyiwa
nendangariro.Imwe pfungwa yakati
nditevere kwaiva naFelly kwacho
ikoko.Ndaizongofona ndavakuti ndapinda
mutown rekwavo vauye
kunditora.Ndakavafonera zvekare fone
yacho yanga isisapinde ndobva
ndangozosiyana nazvo.

Hameno ndakabatwa nehope sei mumota


imomo.Kutozopatiswa namai vaigarawo
pamba vaibuda kuseni vachienda kubasa
ndakanzwa vachigogodza ini kwakutoti
come in ndichifunga kuti ndirimumba.

"Mukoma Tomas kwakanaka here


kwamarara mumota?"

Vaibvunza vachigogodza
pawindow.Ndakavhunduka ndokuona
nditori mumota,apa mutsipa wanga
wakurwadza ndanga ndisina kurara
zvakanaka.

"Yeah kuri ryt Tete, mamukasei?


Ndakangobatwawo nehope mufunge"

"Iih todzoka totyaka.Oryt ndabuda ini


toonana manheru"

"Ok"

Ndakadaira ndichidzika mumota


mangu.Ndakakinura padoor pangu
ndokupinda mumba.Musoro waitema
uchidairira tsinga dzekugotsi zvonobatana
netsinga yaidzika kumusana.Muviri wose
zvawo wanga wakurwadza,kuita semunhu
arikutanga kuudzwa kuti anedenda
rechakapedza mbudzi.Unoshaya kuti
wozvidzura musoro here kana kuti woita
zvekumera umwe padivi.Ndakabatidza TV
hameno ndaida kuonei.TV yacho yaitoita
ruzha zvayo saka ndakabva
ndaidzima.Ndakaenda kuimba yekubikira
ndokungonomira pastove ndichishaya kuti
ndotangira papi chaipo.Apa ndipo
ndakaona kabucket nesunlight zvandaiva
ndasiya nezuro wacho ndichida kugeza
mota.Ndakatora kabucket kaya
ndokunovhurira mvura ndavakuenda
kumota kwangu kuti ndiigeze.Pfungwa
dzangu dzaisaziva zvadzaida asi ndaida
chinhu chinondivaraidza kuti ndisanyanya
kufunga. Ndakatanga kuridza masongs
aNox ndichigeza mota yangu..Ndakaona
kabook kanga kakadharadhadzwa kuback
kwako zvekuti munhu anga adharadhadza
apa aitaridza kusatova netsitsi nebook
iri.Ndakafunga kuti ranga rauya nani
mumota mangu coz handina kumbotakura
munhu.

"Oooh zviya ndakapuwa naBee nezuro


mxm"

Ndakaridza tsamwa ndichikakanda kure,


ndaitotya kukaverenga coz pamwe
zvaizondiwedzera stress. Ndaida
kukakanda mubucket remvura asi
kakasvikowira nechekumashure
kwebucket.Ndakanokanonga ndokukavhura
ndavakugara paseat ndichiverenga hana
yangu ichingorova seichatsemuka. Ndainge
ndisati ndakamboona yangu ichibuda
nezera rangu, ndainge ndakapedzisira
kubudisa misodzi kuchikoro chaiko asi apa
ndakaidonhedza. Ndakanga ndarwadzisa
mudiwa wangu nemadhiri andaiva ndaita
naBee.Nenziyo yairira yaNox panguva iyi
yekuti *Uchandifunga iwewe*
nezvandaiverenga mukabook kaFelly
marwadzo andainzwa
akawedzera..Ndakavhara kadiary kaya
ndobva ndafonera Bee;

" Hello Tom "

" Who gave you Felly's diary."

" Why, is there anything wrong pakukupa


kwandakaita?"

" Pindura Bee ndati wakapiwa nani?"

" Ndakakatora kumba kwake nezuro, why


chii chakanyorwamo?"

" Hoo hauna kuverenga? iribhoo byee."


Ndakata phone yangu ndokutostata mota
yangu ndangoigeza one side ndakuenda
kumba kwana Felly.Ndakasvikowana tete
vachitsvaira payard pavo sezvo kunze
kwanga kuchikuseni.Ndakamboramba
ndirimumota ndichifunga kuti ndaizoita sei
kuti vasaone kabook aka coz ndaisada futi
kuti vazive kuti Bee ndiye andipa.Ndakakisa
muhomwe ndokudzika zvangu.

"Titambire bamunini"

"Motambirei Tete?"

"Upenyu hwevanhu hwakakosha.Zvimwe


zvozotevera kumashure"
"Chokwadi Tete.Aripo Felly?"

Ndakanyepera kubvunza ndichida kuwana


pekutangira.

"Hezvooo Felly atova ne 2 days abva pano"

"ko akaendepi?"

"Akaenda kwaSisi vake.Ahasikufonawo kuti


akafamba zvakanaka here vana vemukore
uno kukura kwacho kunonetsa"

"Zvakaoma"
"Ko akaenda sei musikuziva,chiiko
chirikuitika pakati penyu?"

"Ngatipindei mumba tete"

Ndakadaro ndichitotungamira ini kunge


ndaipinda mumba mangu.Ndakasvikogara
pasofa ndokuramba ndakanyarara
ndichishaya pekutangira.

"Ko chiiko bamunini motivhundusa?"

"Tete Felly akandiramba"

"Hezvoooo babangu vakamunywa


nemujuru iweee.Ko hanzi zvaitasei
ichinyaya yaBee here kana kuti
panedzimwe?"
"Hooo moiziva?"

"Ehe akandiudza kana iye Bee


akandiudzawo asi wandakapa mhosva
ndiFelly.Ahaifanira kutanga nekuita chinya
kudaro musina kutaurirana"

Tete vakarondedzera zvavaiva vaudzwa


naBee asi nyaya yekuti Bee anga azozama
kuda kurara neni avana kuitaura. Zvaireva
kuti vaisaiziva uye Bee wacho anga asina
kutaura.

"Felly akatozoti akawana belt mumota


menyu kudii dii woye"

"Yes tete she found it and ndakamuudza


kuti paakabuda Bee akasara
achishoropodza Felly ndopandakatadza
kuzvidzora ndikamurova.Ndakatoenda
kumba kwaBee ndichida kunzwa
nezvaFelly,hongu ndakazosvika hake
akapfeka kupfeka kwake but
ndaisatozivawo.Iye hapana pandaizorara
naBee kuti nyika yaguma here Tete?Fone
yaFelly yaarikuti ndaisadaira fone yangu
ndaitova painge paira tsaona then
mamessage ndaiti ndozotaura naye
ndanatsa kugara.Ndaitoshayawo kuti
musikana wangu aripi uye arikubatana nei
zvarikufunga sandizvo Tete"

Pandairondedzera andiziv ndakapindwa


nemweya wekwani.Ndakanzwa kurwadza
kunoita kurambwa worse nemunhu
waunoda uye wausina tarisiro yekuti achati
zvaperera pano.Ndakakumbirisa Tete
vaFelly kuti vataure naye nekuti mudiwa
wangu ndaimuda back.

"Bamunini andina zvandogona


kuita.Ndazvinzwa zvose zvamataura and
Felly ndichataura naye,asi kana arambawo
hapana zvatingaita nekuti munhu wacho
anonetsa"

"Tete you have to try all your best nekuti


ndikasadzokerana naye andione
ndingararame.Ndakumbirisa Tete"

Vakandisimbisa kwazvo nekuti vanga


vaona kuti i was serious.Misodzi panguva
iyi yakaita seyekamwana kasiiwa namai
vacho nebus kachida
kuendawo.Takazotanga kutaurawo dzimwe
nyaya ndokubva ndakumbira mvura
yekunwa.Ndaida kuona kupfekera kadiary
kaFelly pasofa pandanga
ndakagara.Pavakaenda kukitchen tete
vacho ndakasara ndokunatsakusimuka
ndavakukanda diary kusofa.Vakauya
nemvura ndikainwa yose,chero ndanga
ndisina nyota ndaifanira kutoinwa nekuti
ndanga ndaikumbira.

Ndakaoneka ndokuenda kumba kwangu


ndikaswera ndakazvivharira ndaisada kana
munhu pedyo neni even macalls evamwe
vanhu ndaisadaira. Kunyanya Bee ndiye
aifona kunge arikuda kupfunza kuti mari
yekuripa ngozi touya nayo rini but handina
kugara ndadaira call yake. Ndakazoona
pamusuwo pogogodza oita manheru,
ndakabuda mubedroom ndochifunga kuti
zvimwe ndisisi vaya vadzoka kubasa ndipo
pandinoona ari Bee achifamba neumwe
musikana airatidza kuti anenge munhu
wecash. Ndakasimudza musoro ndisati
ndamutaudza ndokuona kugate kwakamira
same car yakaita seyanga asvika nayo musi
waakandipa diary kugarage................

End of chapter 12
MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI
APP: +27610921330

AND

T.J.....+27610581531

https://chat.whatsapp.com/FT2074lGMYu2T
PRNaP8rmA
CHAPTER 13

Felly

"Manje ukaramba uchichema kudaro


usingatauri chirikunyanya kukudya kudaro i
cant help you, handizivi kuti urikuda kuti
ndiite zvekudini mwana wamai vangu? Asi
tete vaikushungurudza here?" Vakadaro
sisi pavakapinda mumba mandaiva,
ndakaedza kuda kushama muromo kuti
ndivapindure asi ndakakurirwa nekuchema.
"Felly,Felistas, aaagh zvakaoma hazvo ko
chiiko nhai? Akakuramba here Tom
wacho.?" Vakadaro vachifamba famba
mumba mataiva vakabata muchiuno,
vakaenda kundovhara musuwo
ndokudzoka vabata fon muruoko vachiita
kunge varikuda kufonera someone but
havana kuzofana. Vakauya vakagara paside
pangu ndobva vandibata ruoko rwangu
vachirubvisa kumeso kwandanga
ndakarwuisa.

" Ndokumbirisawo Felly utaure neni mwana


wamai vangu, kana ndirini ndakakutadzira
ndisingazivi very sorry hako. Ndaigara
ndichitaura nabamukuru vako about you
tichibvunzana kuti kubva zvawakabva
kumba ukaenda kuHarare hauna kana
kuzombogara wadzoka. Pane chakaipa
chandakakuitira here nhai gotwe ramai
vangu?"

" Noo sisi hapana?" Ndakadaro


ndichidhonzera tudzihwa twainge
twakubuda mimhino mangu kunge munhu
ane Flue.

" Saka chii?"

" Sisi ndakuudzai nyaya yacho kudhara,


musawara nekuchema kwangu regai ndip...
ndipedze shungu nemisodzi iyeyi nekuti
zvekutaura zvinondinetsa."

" Ok Felly, chiuya simuka tiende


kubedroom undorara ndoda kumbobuda
kundotenga something tibike." Vakadaro
vachindidhonza ndobva ndasimuka.

" I think ticharara pano nhasi tozomuka


tichienda, pamba pano pavakutoita kunge
padongo saka ndoda kusiya ndatsvaira
tsvaira neku cleana hona zvaita mujuru
nemadande mutande."

" Ehon sisi ndozvimwe zvirikundirwadza


izvozvo, ndotombofunga hangu kugara
pano ndichichengeta musha wevabereki
vedu."

" Haaa handikutenderi izvozvo Felly kuti


ugare wega muno maVhumbudu, inga
vaMutasa wani Sabhuku vemuno vakagara
vazviramba. Chatinoda chete kugara
tichidzoka mwedzi woga woga. Apa nesuwo
tainge tagarisa tisina kumbouya of wich
hazvisi bhoo chero kuhope chaiko ndaigara
ndichirota."
Handina kuzodaira ndakangogutsurira
musoro ndichirangarira mashoko ainge
ataurwa naSabhuku Mutasa musi
watakaviga mhama sezvo variivo
vakazoshaya mumashure madady.
Ndakapinda mubedroom mairara vana baba
ndobva mai Tanya vati ndirare, vaiita
zvekundinyengerera vachindibhabhadzira
kumusana kunge vainyaradza kacheche
karikurwadziwa nechinyoka. Vakabuda
ndikasara hangu ndakarara but ndaiziva
kuti hope hadzimbobati, ndainge
ndavakufema ndichitura befu dzirishungu
dzekuchemesa kwandainge ndaita.
Ndakaona kuti ndikaramba ndakangorara
pasina chinondivaraidza ndogona
kuzopedzisira ndochema of wich ndainge
ndisingachadi kuramba ndichichema coz
my sister was worried about me.
Ndakasimuka ndikatora phone yangu
muhandbag, ndakaenda kuapp ndokuenda
kunumber dzandainge ndakablocker kwaku
unblocker Tom. Ndakamunyorera muraba
raba wemesssage ndichimuudza kuti
ndakabuda muHarare kuitira kuti musare
muchifara naBee wako pasina
anokuvhiringa. Ndakava shuvira kuzova
negood marriage ndikati musazokanganwa
kutidana kumuchato wenyu sezvo ndaiziva
kuti zvekuchata Thomas aizvida. Pandainge
ndoda kusenda ndakabva ndaridza tsamwa
kwakudzima ndobva ndablocker zvakare.
Ndakatanga kudzoka kumashure
ndichiverenga mamessage ataitaura kubva
zuva ratakadanana, ndaita kusvotwa chaiko
ndichivenga masweet nothing aaindiudza.
For me zvese zvandaiverenga dzainge
dzatova nhema coz dai chaiva chokwadi
haasi aizomborara na Bee.
"What about the ring ?"

Ndakazvibvunza ndichitarisa zvigunwe


zvangu, ndainge ndasvika pataitaura
achindiudza kuti achazonditengera ring
inodhura kana tava kuzochata.

"Nxaaa ndichamuwana achazondipfekedza


ring pfekedzanai ikoko henyu zvee na Bee
wako" Ndakataura futi ndega,ndakatoona
kuti ndogona kupedzisira pfungwa dzangu
dzadambuka if ndikaramba ndichiverenga
his messages. Ndakaadelete ese
ndokuenda kuna Bee ndokudeleter, pakaita
message yakapinda from baba Tanya
ndakaona ichiratidza pascreen ndikabva
ndaenda pachat ravo.
*Mainini zvirisei, mafamba mushe here?* Iyi
yaiva message yabamukuru.

"Ehe" Ndakavapindura nekukasika


ndichida vasiyane neni.

Him: "Ok zviya mopfeka size ani?"

Ndakambovhura maziso ndichitarisa


massage yavo pava paya ndokupindura.
"Size yechii?"

"Yehembe zvese nebhutsu?"

"Why murikubvunza?"

Him: "Ndoda kukutengerai now nditori ma


Edgars saka mai Tanya vati ndikubvunzei
size"
""Ummmmm"

Him: "Taurai kani mainini"

Ndakapindura kuti zvindibve "Bhutsu size


4, hembe 28".

Him: "Ok iribhoo thanks, ndanzwa kuti


murikungochema hanzii?"

"I am ok now, good day bamukuru regai


ndirare"
Ndakadaro ndokutodzima data.Ivo mai
Tanya vaizoudza bamukuru zvekuchema
kwangu zvaiva nebasa rei?Munhu asina
hana andimude ini.Ndizvo zvikusakisa
ndisavaudza zvakawanda izvozvo.Hameno
chinonyengererwa kumurume
chavakapromiswa kuti vachapuwa. Hapana
kupera time ndakanzwa kufamba kwetsoka
panze ndikaziva kuti mai Tanya vadzoka,
pandakanzwa vavakuvhura door ndakabva
ndazvirarisa nhema.

"Ooogh thanks God at least arara."


Vakadaro vachitaura vega kwakuvhara door
vakabuda. Ndangariro dzakaramba
dzichindidya, ndokumbotora picture frame
radady vangu namama raiva kumadziro
ndokutanga kuvatarira. Ndaimboriisa
pachipfuva ndorimbundira ndichiti i love
you dady and mum i wish dai musina
kuenda kwamupfiga nebwe izvezvi
kuchema kwese uku kusipo. Ndaibva
ndatanga kuvakisa kisa soo ummm
hameno zvenyu mune vabereki vapenyu
munovadadira muchitadza kuvachengeta.
Kunyangwe ukawana zvese muupenyu but
kana vabereki vasipo life yacho hainyatsi
kunakidza. Hongu zvagara zviriko kuti kufa
murawu waMwari asi dei vachizofawo
tayaruka vadyawo mari dzevakwasha
pamwe chete nekuona vazukuru vavo chero
vozotorwa nedenga hazvizonyanyi
kurwadza.

Ndaifunga zvese izvi


ndakavatarisa,ndakazoita zvekuvhunduka
sisi pavakavhura door.

"Ko watomuka mira ndikuvigire food."

"Eish ndavhunduka sei, ndamuka hangu i


was busy talking nadady na mum, but this
pic is soo funny honai zvamainge muri
kumira kunge kadzungairwa." Ndakadaro
ndichivawanzira kuti vasaona kuti ndainge
ndichiri worried.
" Haa ibva apa, iwewe ndiwe wainge
wakatonyanya ka hona kuisa chigunwe
mumukanwa. Thats why usinganyanyi
kutaura Felly unoziva here kuti wakasvika
grade 6 uchinwa chigunwe? Manje
waizosekwa mhani nemukomana uya
wekuzondirasisa ende ndiye akaita kuti
uzvisiye." Vakadaro vachitora frame
mumaoko angu kwakumboona pic racho.

" Ummm rega ndikupe food yako wena."

" Asi matenga ma 2minutes Noddles kani?"

" Ndatenga sadza pashop yamai Mhofu


manje ndanga ndichidziisa muriwo wacho
nekuisa madomas ne onion." Vakadaro
vachibuda kudzokera kukitchen, ndainatsa
kunzwa kuti handina appetite yechikafu asi
kuti ndivarambire yaigona kuita nyaya.
Vakadzoka ndokunditambidza plate yangu.

" Thank you sisi but i am fasting today?"

" Felly noo, idya please ungafasta now


here?"

" Since morning wani."

" Ko mabanana awambodya mutown


haunyari kunyepa?"

Ndakavhara kumeso ndichinyara nekuti


nhema dzanga dzabatwa. Phone yakabva
yarin'a ndokuona dziri number
dzandisingazivi, handina kudaira coz moyo
wangu wakandiudza kuti it was Tom sezvo
ndaiva ndakama blocker.
"Daira ka."

" Noo handisi kuda." Ndakadaro


ndichiikandira pabed.Hapana kupera nguva
yakarin'a futi ndika ignore, payakazorin'a
rwetatu sisi vakatora ndobva vadaira.
Pandakangonzwa kuti aiva Tom bp yangu
yakabva yatokwira, misodzi yangu yaitoita
seyebenzi chairo ndoshaya kuti sei
yakabuda. Sisi pavakazviona kuti ndainge
ndakuchururuka misodzi vakapopotera
Tom zvekurevesa but Tom wacho aitova
nazvo haana kana kukata phone.
Vakapedzisira vauya vakaisa phone
panzeve dzangu asi zvese zvaakataura
ndikati ndakazvinzwa ndinganyepa.

" Ndatozomunyepera kuti ndoda kubika


otherwise aisakata phone, haaa nhai Felly
wakuchema futi eish ndopanonetsera
vanhu vasingataure shungu dzenyu
modzipedzera pakuchema"

" Noo handisi kuchema inini sisi misodzi


chete irikungobuda, regai ndichitodzima
fon yacho. Ndakadaro ndichitoidzima
chaiko".

" Its ok my sisi chidya, ukuda ndikupake


here magotwe monetsa ka. Ko bamukuru
vako vakubvunza masize here?"

Chokwadi ndaiitwa kacheche chaiko, ko iko


kutozotaura vachida kutondipaka sadza
racho. Ndakanzvengesa muromo ini
kwakutanga kuzvidyira tichitaura hedu
nyaya yehembe dzandaida kutengerwa. My
sister was telling kudiwa kwandoitwa
nabamukuru but inini ndainzi handina basa
navo. Ndakazviramba zvese izvo ndichiti
ndovadisa bamukuru vangu, aagh
kunyangwe ndichivavenga pane
pandaizoudza sisi kuti murume wenyu
handimufariri handiti ndaitozodzvara
ruvengo. Ndakatandanzwa nasisi
vachitaura zvinyaya zvakare zvekuti
ndakavarairwa kusvika pakudya sadza rese
kupera kuti tsvai. Takazobva pamba zuva
rava kudoka ndokuenda kumba
kwaSabhuku kundovakwazisa,
takatozobvako late coz vakati
hamungadzokeri musina kudya zvikati
vaiva nerudo rwusingaiti takatourairwa
zijongwe vakati idyai nyama yese vazaya
mukasiya motakura mondodyira mberi.

Takasvikira kumba tikarara zvedu, at least


hope dzakakasikawo kuuya ndikanatsa
kurara kusvika kwaedza. Takamukira
takugadzirira kudzokera kuKwekwe but
tisati tasimuka ndakadzokera futi kumakuva
ndikandokurukura nevabereki vangu.

"Ndadzoka zvakare dady, tavakudzokera


tainge tauya kuzokudongorerai. Ndine
vimbo yekuti kuchema kwangu kwese
makunzwa uye misodzi yangu yese
yandasiya pamusha inoda kupukutwa nemi.
Rambai makazorora murugare dady
namhamha asi kwese kwandinofamba
ndibvumbamirei. Musandirega ndichirasika
muchiona, itai kuti maziso angu akwanise
kuona murume kwaye achazondiroora uye
moyo wangu ngaugone kusarudza
usangoda zvese zvese.Ndichabva pano
kudzokera kuHarare fambai nekuchenesa
nzira yangu."
Ndakapedza kutaura kwakuombera
ndikasimuka ndava kudzokera kumba.Sisi
vakaendawo vakandoeneka vachipedza
ndobva tapinda muroad. Takasvika
kuKwekwe kunze kwasviba nekuti bus
ratainge takwira rakambofa munzira.
Bamukuru vainge vatorara takaita
zvekuvamutsa nekuvafonera
vakazotivhurira gate. Sevanhu vainge
vaneta hatina kunyanya kutandara plus
inini ndaisanyanya kuda kugara mumba
muna sisi nemurume wavo. Ndakaenda
kuroom kwangu kwandairara, pasina time
sisi vakauya nezvinhu zvandainge
ndatengerwa nabamukuru vakati ndizviedze
zvese ndichienda kundotenda vanga
vatenga. Ndakafara veduwe apa kuzonatsa
kusarudza zvinhu zvainatsa kundifita,
ndakaenda ndikandopfugama ndikavatenda
zvisingaite;

"Musatenda mai mwana inyaya yekuti


hazvigari zvakabatana but zvinhu
zvatofanira kugara tichikuitirai ."

" Haa izvezvi zvamaita mukati zvidoko here


nhai bamukuru, handiti mangwana
pandodzokera kuHarare
vanotombondondikanganwa."

"Aizvee makutodzokera mangwana


tatoonana here?"

" Ndichazonatsa kuuya toonana bamukuru


ndirikumhanyira kundobatsira tete
kutengesa tengesa."

" Ndingatii hangu, pano pavakutoita kunge


pakaberekera ingwe why musingachafariri
kugara muchizotidongorera.
?"

"You really want to know?" Ndakabvunza


mubvunzo uyu mumoyo but handina
kuzobudisa manzwi.

"Ko manyararirei?"

" Regai ndinorara bamukuru naSisi


mangwana ndikuita zvekumukira chaiko?"

"Daira zvawabvunzwa nabamukuru vako?"

" Hakuna kuberekera ingwe, good nyt sisi


regai ndindorara." Ndakadaro ndichisimuka
kwakundozvivharira muroom mangu.
Ndisati ndarara ndakatanga kupeta peta
hembe ndichiisa mupesi ndipo
pandakasangana nediary yangu,
ndakarohwa nehana ndichifunga kuti sisi
vamboenda nepessy yangu kutoilet nguva
yafa bhazi havadaro vaiona. Ndakatora
nguva ndakasticker ndava nestress.

"Nxaaa havana kuiona mhani dai vaverenga


zvirimumu ingadai vabvunza chete"
Ndakataura ndega ndichiidzosera mu
pessy,pamwenekuzvishingisa.
Ndakaenderara mberi nekurongedza
kusvika ndapedza kwakurara. Ndakarota
hope ndichitaura nababa but vaiita sekuti
varikundipukuta misodzi vachiti kuchema
kwako ndirikukunzwa mwana wangu asi
kana uchida kuti zvikufambire regerera
vese vakakutadzira, kana ukagona
kusunungura moyo wako even zvese
zvakasungika muupenyu hwako
zvinosununguka. Vachipedza kutaura
vakafuratira vakaenda ndisati ndapindura,
ndakada kumhanya kuti ndivatevere ndipo
pandakapepuka ndokuona kuti kunze
kwatoedza handina kuzorara.

Ndakabuda mumba ndokunogeza


ndichipedza kwakuperekedzwa kumabhazi
nasisi sezvo bamukuru vanga vaenda
kubasa. Vakabvunza mubvunzo wandisina
kupindura bamukuru nezuro asi
ndakavapindura kuti kutanga nhasi
ndichagara ndichizokuonai. Ndakabuda
muKwekwe kuma 8am ndakunanga
kuHarare, ndakazoita phone yangu on
ndasvika muHarare kwakufonera sisi
ndikavaudza kuti ndasvika. Ndapedza
ndikafonera tete ndikavaudza kuti
ndavakuMbare, vakapindura kuti mira ipapo
ndirikuuya kuzokutora.
Ndakamira hapana kupera time ndokuona
tete vachisvika naTom. Takapinda mumota
ndokukwazisana kwakutanga kutaura
nyaya dzekumusha natete Tom ari zii hake
achidriver. Ainge adzikira zvaitonzwisa
tsitsi ndikashaya kuti bhoo here idzo 3
days dzandanga ndaparadzana naye.
Takasvika kwakupinda mumba tose, tete
vakabva vabuda vakatisiya tiri 2,

" Babe i am so sorry,"

Akadaro achibva pasofa paanga akagara


kwakundipfugamira. Ndakamubata ndobva
ndamuti "plz gara pasi" ndakaona misodzi
yake yobuda but raingova ziso one
raichema.

" I forgive you Tom mese na Bee."


" Wooow thank you very much babe so do
you still love me?"

" I think ndinozokupa answer


tambondoongororwa ropa, handiti unoziva
kuti kubva zvatakadanana hatina
kumbovhenekwa.?"

" No problem togona kuenda mangwana


chaiye coz ndanga ndagara ndichida
kuenda newe somewhere kuri special,
ndoda kukuonesa kuti ndokuda Felly."

Akadaro achisimukira paanga akagara.

"Pane something chirikundibaya baya


pasofa apa."

" Ko chii.?"Akabudisa kadiary kangu katsva


kandaiva ndakanyora musi wandakaswera
ndakazvivharira mumba, ndakatya kuti
anokavhura ndobva ndamanyira
kumubvutira.Akada kukatora asi
ndakakakandira muhembe
chaimo.Mupfungwa dzangu makanga
mazara mibvunzo

"Why is it kadiary aka kava muno


musitting,asi Tete vakasara
vachipenengura muroom mangu,Ko sei
madiary angu achingochinja chinja
nzvimbo chii chaizvo chirikuitika?"

Ndakazotaura zvangu naTomy asi pfungwa


dzangu dzanga dzava confused.Asi kana
vari Tete vanga vakakaona vakaverenga
zvaisava nebasa.Diary randaityira ndiro
randanga ndafamba naro iri nyowani kana
shungu naro....

End of chapter 13
MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI

APP: +27610921330
AND

TJ.....+27610581531
https://chat.whatsapp.com/FT2074lGMYu2T
PRNaP8rmA

CHAPTER 14
Beauty.

Kana iye ambonwiswa mutupa-tupa


ahadaro. Ndakapedzwa simba nesvetukiro
yakaita Vannesa achindikwazisa nguva
yaakationa tichiburuka mumota naVigie.
Handina kufarira zvaakaita zvachose but
andina kuzviratidza kwaari
ndakangonyemwerera zvenhema uku
ndichitya kuti ndogona kukaruka
ndanamwa muromo nekiss. Akaita nguva
akandimbundira kudaro,ndakaona Vigie
achititarisa neziso riya rakasara mugore
remhashu.

"Zviriseiko makoti wangu?" Akabvunza


achinditarisa tarisa zvekuti ndanga
ndavakutonzwa kunyara pamberi
pehanzvadzi yake.
" Ndiribhoo tete, mamukasei?" Ndakadaro
ndichimuregedza but akaramba
achisekerera akanditarisa kunge munhu
avimbiswa white wedding nemukomana
wake.

"Kwakanaka here Vanne?" Akadaro Virgie


achibvunza hanzvadzi yake.

"Kunoipei,ko imi makungouya musina


kufona kutsvene here?" Vanesa
akapindurawo nemubvunzo kuhanzvadzi
yake achiita kumukutarisa kubva kutsoka
kusvika mumusoro.

"Kutaurei sekuti ndauya kwauri,apa ahuna


kana nekundimhoresa zvako"
"Haaa iwe ndezvako izvo..Ibva mhoro
kwacho kurisei "

Akapindura zvekufinhura Vanesa


achitotungamira iye kupinda mumba kunge
make

"Saka wavingei chaizvo Vigie?"

Akabvunza zvakare achikanda macar keys


ake patable iye ndokugara pasi.

Vigie: "Usadaka kuvhaira


Vannesa.Kwakakunakira here nhasi
kadzungu kaunako aka?"

Vanesa: "You cant jus come as if


urikuuya...
"Guyz please stop it,azvisikunakidza"
Ndakadaro ndatoona kuti vaviri ava
vainzwirana sugar kana arisa Vanessa
dzanga dzatova shanje chaidzo dzainge
dzamugara.

"No Makoti.Vigilance ahangouyeka pano


asina kukokwa,ava mudzimu here
unongosvikira chero nepausingadiwe?"

"Tete Vanesa please stop it"

Vanesa: "Asi ndimi mamudaidza pano


zvamunomukumira semombe
yemashanga?"
"Andina wandadaidza pano but what you
are doing isn't ryt.Vigie is my boyfriend and
ahade kana permission yaani kuuya
kundiona. He can come anytime, anyday
Ok"

Ndakatarisa Vigie wacho ndikaona


azvomora maziso anditarisa kunge munhu
apumwa uroyi padare raShe. Chero
akazvomora maziso ake zvinengei Virgie
ndanga ndatomuda nemoyo wangu
wese.Vanesa akabata musoro wake
akatsikitsira kutarisa pasi.Amheno
zvaifungwa ipapo.Akazongosimuka
ndokutambidza Virgie makeys

"Ooh"
"Ndeeyi?"

Vanesa: "Ndeekumba enda unorara ikoko


kungazobiwa or ukuda kurara pano
nemwana wevanhu wausati waroora"

"Like seriously Vanesa?" Akadaro Vigie


achitarisisa mwana wamai vake mumaziso.

"Ahungouye kuno Vigie usina kutaura kuti


urikuuya.Wakazvitanga rini
zvekungokaruka wanyukasehowa
hwemusango?"

"Handina kuuya kumba kwako Vanesa.Saka


urikukwana papi iwe?"
"Kwawauya ikoko ndiko kwaita
ndikwane.Dai wauya kana kwani waisaona
ndichikunetsa.Manje when Bee is involved
iam also involved coz handidi kuti
muzomitisana"

Ndakatarisana naVigie ndikaona nayewo


akanditarisa, ndofunga akatya kuudza sisi
vake kuti nhumbu yatovapo kudhara sezvo
zvirizvo zvaanga afambira.Akatambira
makeys aya achiseka zvake but kwaisava
kuseka kwemunhu arikufara asi kupererwa.

Him: "You know what? I don't have time for


this"

"Vigie wait"
Ndakasara ndotaura munhu atobuda
kuenda.Ndakatarisa Vanesa ndikaona
achisekerera,dai aiziva kuti ndakasvotwa
sei ahaizosekerera zvaiita izvozvo.Ini
ndanga ndatoronga kurara
ndishandurudzwa nehanzvadzi yake iye
oda kutoita semunhu akaitwa
zvekuhodheswa.

"Ndokuita sei ikoko Vanesa?"

"Ndiko kunonzi kudzinga Vigie pamuroora


wangu.Ngaabve pano, asi iwewe urikuda
kuti arare pano ko akazoda kuita sex
unodini"

"You cant Vanesa.Ini nemi takasanganiswa


naVigie dai pasina Vigie maizondizivirepi?"
"Ndaizoguma ndakuziva chete.Andisvota
zvekuti,munhu kutopesana nemota hobho
hobho achiti arikuendepi?Anongomisa
zvikumbo kunge zvikeyi zvekusungisa
majon'osi ungwarire kuti achatipesanisa
Virgie wako iyeye.

Chaaipopotera Vanesa ndakachitsvaga


ndikachishaya.Ndakaguma ndatonyarara
zvangu,ndanga ndavakufunga kuzotevera
Virgie kana Vanesa aenda kubasa.Akamira
mira mumba achiti akuda kusiya andibikira
ndokupedza kubika akaoneka
kwakuenda.Kunze kwanga kwasviba
ndisisakwanise kuzofamba netsoka
kutevera Vigie.Ndakafomufonera kuti
adzoke titaure nyaya yedu asi akati akanga
arara.Zano nderipi,ndakakumura hembe
dzose ndokutanga kuzvitora mapictures
ndakashama mamwe ndichiita kukuzvitora
ndakavhura makumbo kuti jerusarema rese
rinatse kuonekwa, zvikati kuzasi kwangu
kunogara kune musvuu kunge musoro
wemupositori.Pandakaona kuti awanda
zvino ndakaasendera Vigie kuwatsap
ndikaona amavhura ndokubva ndasekerera
ndakagara pabed zvangu waiting kunzwa
mhinduro yake..Akazodzosa massage pava
paya ndikamhanya kuivhura.Ndakasvotwa
ndichiona arikutaura zvisinei nemapics
andanga ndaisa effort yangu yose

"Wat's really going on kwauri nesister


yangu, it seams like wakatomuudza kuti
inini newe tanyura murudo. Now
arikundinyorera mamessage hobho achiti
heee unozomitisa mwana wevanhu what,
what. I beg you Bee dont even tell her
ukufungira kuti unemimba yangu?"

Akabvunza ndikabva ndaignowa message


yacho.Ndakabuda paApp akabva aita
zvekufona.Ndakaridza tsamwa ndichidaira
call yake.

"Urikudei nhaywe?"

"Pindura mubvunzo wandabvunza kuApp"

"Wekutii?"

"Wakunyepera kudzungaira manje Bee"

"Iwe saka urikuti ndingaitei nehanzvadzi


yako?"

"Andiziv that's why ndabvunza.Chii


chikuitika,why is it Vanesa arikutaridza
semunhu arikukuchengera, Even dei
taidanana sei aratidza kusaifara nekuuya
kwangu?"

"Why are you asking me,Ndinoziva


zvarikufunga ndinemoyo wake here ini
bvunzanai imi vana vanyamunhu but
chaunofana kuziva ndechekuti i love you?"

"Bee lets hope hapana zvakashata


zvawakataura hanty"

"Ndozvawafonera here Vigie?"


"Yes. Nekukuudza kuti dont send your
nudes unozondiitisa zvimwe"

"Unonzwa kudaka?Kana wangonzwa kuda


huya ndikupedze nyota babe wangu zvese
ndezvako izvi inzwa ooogh ndakatoshama
soo" Ndakadaro ndichirova rova pakati
pemakumbo kunge mukwasha
arikuombera.

"Not kunzwa kuda.Uchandirutsisa plus


akaonekwa na..

Akabva anyarara ndikaita sendichabvaruka


bvaruka neshungu.Ndakapotsa kupotserera
fone pasi chaipo nezvandanga ndaudzwa
naVigie.Ndakazvidzora ndokumubvunza

"Akaonekwa nani?"

"Never mind"

"Why are you doing this to me Vigie?"

"Doing what?"

"Takarara tese but you treat me as if iam a


nobody"

"Are you a somebody?"


"Urikundirwadzisa Vigilance"

"Sorry hako Bee but that night was only a


one night stand and i believe it wont repeat
again.Usakanganwa mangwan ndikuuya
kukutora in time kuenda kwadoctor kuya".

Kaiva kekutanga kuvhairirwa nemukomana


sezvizvi.Ndaimbomaita hangu maone
nights asi handina murume akanga
andidadira sezvanga zvaita
Vigie.Ndakanzwa kurwadziwa pamoyo kuita
sendabaiwa chaiko.Ndakadzikisa fone
zvishoma nezvishoma ndichiisa pasi
ndikaona yatokata.Ndakapinda kuapp
ndokutarisa mapics andanga ndasendera
Vigie ndikaona akatonakawo zvekut dai
hake akangoti "nice" mybe it was going to
be better.Ndanga ndavakutopindwa
nechando hangu,ndakapfeka zvinodziya
ndokugara mumagumbeze deleting the
chats and pictures.Ndakascroller
kumacontacts ndichitsvaga munhu
wekutaura naye ndipo ndakaona number
dza Doctor uya watanga tabva kubasa
kwake tikamushaya.

"Yaaaa ndoda kumbokudzidzisa chidzidzo


Vigilance,musoro wakazara mhepo
sewedhandaruma. Nxaa haufungi sei kuita
semunhu akarumurirwa mudhamu."

Ndaitaura ndega ndichinyatsogara kuti


ndifonere chiremba uyu.Ndakanatsokuita
kuri kupfunya chisero chaiko kana iye
aipira midzimu anosara pasi.Payakatanga
kuringer ndakagadzirisa gadzirisa voice
rangu kuti riite seremunhu akatsigawo.

"Doctor Kenneth hello"

Ndakanzwa voice rechirume raiva sexy


richidaira fone ndikanzwa kuvada ndisati
ndavaona..

"Hello" Vakadaira zvekare sezvo ndaiva


ndaramba ndakanyarara ndirimudzangu
ndangariro

"Hello chiremba. Makadii zvenyu?"

"Ndinofara zvangu.Ndirikutaurawo nani?"

"Ndinoitwa Beauty.Ndambosvika paoffice


penyu panga pavharwa"
"Ooh ok mam.Yeah nhasi ndakasika
kuvhara.Manga muchida kubatsirwa nei?"

"Iam coming there mangwana


nemukomana wangu.Ndakamuti ndine
pamuviri asi ini iam not sure about that.So
ndanga ndichidawo mangwana
pamunonditarisa moti ndinapo
pamuviri.Arikuda kuti pabviswe so ndoda
muchaje mari yakawanda. Pamari
yamunochaja i will give you mybe 30%, how
far doc?"

Chiremba uyu akapopota achiti ndaida


kumuzomutoresesa licence
rake.Ndakamunyengerera ndichiti hapana
aizozvibufura uye nekuoma kwakaita
muZimbabwe kuramba mari kwaizofanana
nekuramba sadza iwe uine nzara.Takataura
kwenguva yakati rebei vachingoramba
chete. Airtime yakasvika pakupera
ndikavatevera kuApp.Pamapictures
andanga ndazvitora ndikasendera Vigie
ndakamusendera rimwechete racho
randanga ndakanatsokushadabura.Pazasi
paro ndokubva ndanyora kuti WHAT
ABOUT THIS OFFER.Chiremba uya akabva
abuda online.Pasina nguva ndakanzwa fone
yangu yavakuringer.Ndakatarisa ndikaona
iri landline yandaisaziva. Ndakadaira
ndokuisa panzeve.

"Beauty handiti?"

"Yes ndiani?"
"Iam Doctor Kenneth you can call me Doc
Kenie"

"Ok.Matii?".

"I will take the second offer if you are


serious"

Ndakaita sendichakandira fone mudenga


nemufaro.Ndakatombozvibata bata mazamo
angu ndavakufeeler chiremba uyu pafone.

"Are you still there?"

"Yes Kenie iam"


"Thats good babe.So what time are you
coming with your so called boyfriend?"

"Ati touya early,but i will let you know kana


takuuya"

"Ko iye aripi manje zvaurikutaura neni late


pafone?"

"Aah long story.Seems as if he's no longer


interested"

"Ooh ok.Dont worry will sort you out"

"But pamari muchaje yamoda,dont forget"


"I wont my dear trust me"

"Ok byee"

"Byeee.Cant wait to see those curved big


hips and nice booms akamira kunge
emhandara ichangobva kuchinamwari"

Ndakasekerera badzi ndokubva vakata fone


yavo.Ndakakanda fone pabed ndichiseka
nekutaura ndega

"Hahada ndonzi Beauty ini.Zvako zvekuda


kutondivhairira Vhijirenzi nechinhu chako
chakamwenywa chisina kana taste zvapera
manje. Ummm ndakunyepa manje taste
iripo zvayo unozipa mwana iwewe but
nekudada kwako ndichambodya
yyachiremba ine utano uku tichikusvisvina
mari.Ko tinodya dzemaremaka isu ana Bee
the beast"

Ndakaseka kachikwee kekunakirwa zvangu


ndokubva ndapinda mumagumbeze
kwakurara. Vannesa akatanga zvake
zvekundifonera but handina kumudaira coz
ndaiziva kuti arikuda kutaura zvake zvisina
basa zvekuti ndatota. Zuva iri ndakarara
hope sedzemwana wamambo
chaiye.Kuseni ndakamuka ndokugeza
nekunyatsakutsvaga hembe dzaizondifita
semunhu aizonosangana nemkomana wake
kekutanga. Vanesa akauyawo achibva
kubasa kwake,uyu anga atova chikwekwe
chaicho ndotoshaya kuti nzira yekumba
kwake anga asingachaizivi here.
"Ko machenerepi kuseni kuno?" Ndiwo
mubvunzo waakatanga nekubvunza
paakasvika.

"Ndirikuda kuenda kutown naVigie"

"Ooh zvatonaka.Toenda tese andingasare


pano ndega"

"Hezvooo ko kumba kwenyu nhai?"

"Kunobhowa uko.Dai ndatogarira zvangu


pano panonakidza"

Akadaro achitoenda kunogeza.Kana iko


kacheche hakadaro.Chaida kunakidzwa
nacho chii munhu mukuru anenge
iye?Achingopedza kugeza Vigie akabva
asvikawo auya kunditora kuti tiende
kurwendo rwedu.Vanesa akaita kuruma
muromo wepamusoro newepazasi kuramba
kusara chaiko ndobva atopinda mumota
kuti adrive. Tisati tasimuka chiremba
vakafonera Virgi vakamuudza kuti tichirega
kuuya makuseni tozouya manheru kuma 6
hameno zvanga zvaitika.

Vigie akabva ati avakumbotenderera


tenderera ozodzoka hake manheru toenda
kwachiremba. Ndaida kuenda naye but he
refused ukuwo Vanessa aitondirambidza
kuenda. Zvekuswera pamba naVanessa
ndaisada ndakabva ndaita
zvekumunzvenga ndokubuda pamba
ndisingazivi kwandirikuenda. Ndirimunzira
ndakafonerwa naTom achindibvunza kuti
diary ndariwanepi but chakandibhowa
akaramba kundiudza kuti awana
makanyorwa kutii. Ndichipedza kutaura
naTom ndakazoita fungira mumoyo rwendo
rwembwa kwakutenda maplaycards pane
imwe shop. Ndichibvapo kwakuenda
kwababa P, ndakasvotwa ndichiwana
mudzimai wavo aripo apa ndainge
ndafunga kundoswera ndichitandara navo
tichitamba ma playing cards. Ndakanyepera
kubvunza number dzamadzibaba asi
ndakadzishaya, ndichibvapo ndakatanga
kungofamba hangu kunge chimbwa
mupengo kusvika manheru.

Ndakadzoka kumba ndatofonerwa naVirgi


achiti andimirira, ndakawana varivese
nehandzvadzi yake mumota.
Pandakapindawo mumota Vannesa
akanditarisa neziso rekuti sei ndanga
ndisiri kudaira macalls ake but handina
kuita hanya nazvo. Hapana aitaura neumwe
pataifamba ndipo ndakayeuka nyaya
yekadiary kandaiva ndapa Tomy kuti kaiva
kakanyorwei chaizvo. Ndakafonera Tom but
aisadaira macalls angu, moyo wangu
wakaita kusvokwaira kuda kunzwa kuita
senge imbwa yaona mabhonzo
akatsvukira.Ndakati Vanesa tidarike neko
sezvo ariye akanga arikutyaira
mota.Tichisvika pamba paTomy ndakadzika
ndokuenda paiva akamira ndokuona
Vanessa asvikawo hameno aidei kunge
ndanga ndamusheedza. Ndakasvika
kugogodza ndobva avhura;
"Tomy ahusikudaira macalls angu"

"What do you want?"

"Haunaka kuzotaura nyaya yemukabook


kaya.Maivaneiko,ndipewoka
ndinoverengawo?"

"Bee iwe pfungwa dzako


dzinonyatsokakata here kana kuti
paneimwe inehunyope?"

"What do you mean?"

"Ok wait.Ndoda kukupa kabook kako


uende"
Akadaro achipinda mumba.Akapedza
nguva,ndanga ndavakutoda kutevera ndipo
ndakaona avakubuda akabata zimboma
rakareba.Ndakanonoka kukuzviona
ndakangoona Vanessa avakutiza,
pandakada kutiza ndakaichekwa yakapinda
mutsapfu.Ndichida kuti nditize
ndakagumburwa ndokuwira
pasi.Ndakazvambaradzwa ndiripo pasi
paya.Vigie akamhanya achiuya
kununura,paakamubata ndipo ndakawana
mkana wekumuka ndavakumhanyira
kumota.Vigie naTomy vakasara Vigi
achizama kubata Tomy kuti asatevere
kumota kuzondirova.Hameno
zvavaitaurirana nekuti ndakazoona Tomy
avakutaridza kunzwisisa.Vigie achidzoka
mumota takabva tatomhanyisa mota kubva
pamba paTomy.

"Ko arikukuroverei?"

Akadaro Vigie kuita as if aiva nebasa neni

"Long story" I said ndichinyepera kuisa


muearfones munzeve.Ndaisada
zvekushushwa.

"Long story usingataure here hona


wapotsa wandirovesa."Akadaro Vanessa
but handina kudaida ndakaramba
ndakanyarara sendisina kuzvinzwa
ndichigutsurira musoro kunge munhu
arikubakirwa nemusic. Ndakatanga kutaura
nachiremba pa apo ndichivaudza kuti tava
kuuya.
Tichingopinda mutown Vigie akati Vanesa
atisiye.

"Tisiye pano.Kana tapedza madeal atirikuita


will call you"

Vanesa: "Eho mukasike.Ndichipedza


kurukwa i will call you"

"Shoo" Ndakashaya kuti ko nhasi Vanessa


haasi kuenda kubasa here coz nguva dzake
dzanga dzatokwana but handina
kumubvunza hangu.

Takadzika ndokubva tapedzisa


netsoka.Hameno chataidzikira tisati tasvika
kwataienda. Ndakazvigumha gumha
nekuzvigadzirisa ndokupinda muhofisi
machiremba wandanga ndapedza madeals
naye kare pafone.Paakandiona akataridza
kurohwa nehana.Vigie akataura zvakataura
chiremba semunhu aiziva deal rese azvina
kumutorera nguva kunditarisa.Akati zvedi
pamuviri paivapo asi kuti pabve paizodiwa
mari yakaita se500 dollars.Vigie
nekuzungaira akabvuma akatransfeya mari
iya ndikapuwa tumwe tupiritsi ndokubva
tabuda kuenda.

Takafonera Vanessa akauya akazotitora


ndokudzokera kumba but Virgie akasvika
kutidzikisa ndobva atooneka akati
avakudzokera kuVic falls. Ndakaedza
kumumisa but akati arikumhanyira basa
sezvo mangwana acho yaiva Monday,
ndakasara ndakaita kusvotwa chaiko but
mufaro wangu wakazouya pandakafonerwa
naChiremba vachiti varikuzonditora ndibva
ndangonovapa zvandainge ndavavimbisa.
Ndakanyepera Vannesa kuti ndikundotenda
etym iye kwakusara achibika.
Ndichingosangana nachiremba ndobva
ndatodzima fon yangu kwakundorara
kumba kwadoc usiku hose ndichifadza
nyama.

Makuseni ndakapiwa mari yese yainge


yabhadharwa chiremba naVirgi ndobva
ndatofunga kupinda mutown.
Ndakatenderera ndichitenga hembe
dzangu, pandainge ndakufamba kuti
ndiende kwa Ok ndipo pandakaona Felly na
Tom vachifamba mberi kwangu vakabatana
maoko uku vakapfeka hembe dzakafanana
kubva kutsoka kusvika kumusoro.
Ndakazvirova rova kumeso ndichiti pamwe
ndirikuresva kuona ndokuzoona
vavakupinda mumota yavo Tom achiita
zvekuvhurira Felly door............

End of chapter 14
MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KD MAZANI
APP: +27610921330

AND

T.J.....+27610581531
https://chat.whatsapp.com/FT2074lGMYu2T
PRNaP8rmA
CHAPTER 15

Tom

"Dai hake aiziva kuti kubva musi waandipa


kadiary ka Felly ndipo pandakawedzera
kumuvenga zvekuti chero face yake
ndaisada kuiona pedyo neni. Ko iko kuzoda
kubvunza kuti mudiary mainge
makanyorwa kuti, nxaa kuda kundiita fuza
chairo. How come munhu anotora diary
remunhu after that oti haana kuverenga.
Aitoziva zvainge zvirimo that's why
akawana simba rekuzondipa, manje akaura
zvandamuita izvi zvishoma next time
akandiitira zvisina basa anofana kumborara
ariku hospital chete."

Ndaitaura ndega ndakamira padoor


rekitchen nguva yandakaparadzana
nasekuru vacho vainge vandibata kuti
ndisaramba ndichirova Beauty.
Ndakatonyara kuti vaiva sekuru vacho dai
akangoita mukomana wacho chete ndaibva
ndanatsa kutaura uhure weBee kuti
arambwe. Pavakanditi; "inyaya yei?"
ndakangozoti; "endai munobvunza muzaya
wenyu anoziva mhosva dzake uye
mumuudze azive vekutamba navo."

" Ndodiko ini,regai ndimbomirira kudzoka


kwaFelly wacho maybe ndikazotaura naye
face to face anondinzwa. Kana kuti
ndoenda ndomukira mangwana
kundomutengera........"

" Hezvoo ko kwakanaka herw mukoma


murikutaura mega, are you with someone
here?" Ndakaita zvekuvhunduka
ndichicheuka ndokuona vari sisi vaigara
mune imwe room. Ndakanyara veduwe
ndobva ndasekera zvenhema;

" Kwakanaka tete ko nhasi sei makasika


kudzoka kubasa asi maita zvekudzoswa
kani?"

" Ende zvakaoma hazvo, asi mukoma


mavakunwa zvinonwa vakomana
vemazuvano izvi? Hanzii wee ndakanganwa
zita razvo but mushonga wechikosoro."

" Nei madaro tete?" Ndakaona vakutarisa


mboma yandanga ndakabata vapedza
kwakunditarisa kumeso.

" Murikuti kwakanaka sei inini ndawana


muchitaura mega apa makabata mboma
muruoko. Something wrong chete nezuro
hamuna kurara mumba makarara mumota.
Muviri wenyu hauchasiwo zvachose ende
murikudzikira every hour chii nhai mukoma
wangu? Ooogh saka ndimi manga
muchitaurwa nevakadzi vandasangana
navo paroad apo kuti marova mumwe
musikana nemboma, ndiFelly here ko
maitanei futi?"

" Long story tete but dont worry i will be


fine ndozvinoita upenyu hazvina kutanga
neni izvi." Ndakadaro ndakutofamba
kuenda kuroom kwangu but sisi Jullie
vakamira kumberi kwangu vachindivharira.
" Ndiyani wamarova?" Ndakabva
ndavaudza nyaya yese A to Z handina
chandakasiya.

" Haa but magona mamurova musikana


iyeye anojairira too much. Dai zvaitika
ndiripo ndaimurova ndirini. Felly musatya
mukoma never akurambei ndozvatiri
vanhukadzi toda kunyengererwa chete. Try
to buy her something asingazivi chinhu
ichochi chinofana kunge chakakosha
zvisingaiti then pamunomupa momuudza
kuti chero usisandide unosara
uchindirangarira nazvo but mashoko aya
unoataura chete kana aramba akaomesa
moyo wake." Ndakambonyarara zvishomo
ndichidzeya mashoko ainge ataurwa nasisi
Jullie but imwe pfungwa yakati ko
ndikatenga something chiri very expensive
akazotadza kundinzwisisa ndinenge
ndawacha double ka.

" Thanks sisi but handizochemi here kana


akaramba zvendenge ndatenga zvacho.?"

" Never hazviiti i am talking from


experience , murume wangu
pandakamubata negalfriend vakarara vese
ndakazviudza kuti handichamudi but the
following day akanditengera bed ne fridge
akati ndimuregerere. Ndakamuregererwa
wani but ndainge ndazviudza kuti
kunyangwe kwauyei handichadi,
akangozofawo hake nekukasika tisati tava
nemwana but nanhasi ndichirikushandisa
zvinhu zvaakasiya anditengera."

" Its ok tete, thanks ne advice let me take a


risk."
" Good if akaramba ndokudzorerai mari
yenyu yamunenge matenga nayo."
Ndakaseka zvangu nekuti vaisaziva kuti
chinhu chandanga ndafunga kutenga
chinodhura sei,handina hangu kutaurira
Jullie kuti ndafunga kutengei. Takachinja
nyaya ndobva tatanga kutaura dzimwe
nyaya dzakasiyana siyana, musi uyu
vakabika sadza nerangu vakati vanoda
kundiona ndichidya. Murume wavo
akazosvikawo zvake ndokuzovasiya
varivaviri ndikaenda muroom mangu.
Ndakarara ndichinatso kuronga maths
dzangu ende ndakaona kuti mari yandava
kuda kushandisa iyi zvichatonditadzisa
kuenda kuTanzania. Ndakambomuka pabed
ndokutarisa kuti sample yangu ichiripo
here sezvo ndakanga ndangozviita
sekutamba ndichitomuwanzira hangu
mafirst days atanga tichangodanana.
Ndakafara ndichiona irimo, ndakatanga
kufunga masize ehembe dzaipfekwa naFelly
ndichibva ndaziva zvese but pabhutsu
ndainge ndisingachazivi kuti i4 here kana
kuti i5. Ndakaita ma calculations angu
ndisati ndarara ndokuona kuti mari yangu
yandaiva nayo inokwana. Dai Felly aiziva
zvandainge ndakamurongera musi uyu
aigona kundi unblocker hake tombotaura
ozondiblocker, ndaiti ndikatarisa panumber
yake kudai ndainzwa kunge ndisisina moyo
nekurwadziwa. Ndoshaya kuti sei ainonoka
kuregerera zvekudaro, handina hangu
kuzonyanya kumushora nekuti nyaya yese
ndainge ndaiona mudiary. Ndakazobatirwa
nehope ndichingofunga kudaro kwakurara
sekacheche, ndakatozoita zvekumutswa na
Jullie sezvo nguva dzanga dzaenda.
Zvakatondishamisawo kuti sei ndarara
kudai coz ndainge ndisati ndambochairwa
na 9am ndichakarara.

Jullie akafa zvake nekundiseka, haana


kuzomira akaoneka sezvo vainge vane
rwendo rwekuenda kumusha kwemurume
wake kundoonekera. Ndakasara ndokugeza
fast ndichipedza kwakubuda ndisina kana
kudya. Ndakatanga kuenda kuhembe,
ndakapinda muGucci ndokumbotenderera
tenderera but zvandaida ndakazvishaya.
Ndakabuda ndini uyo netown ndipo
pandakazoona imwe shop inonzi J.J
fashions irimuna Cameroon, maiva
nehembe dzakanaka veduwe uye
dzichidhura zvekurevesa. Ndakatenga
hembe dzangu nedzaFelly iri all white but
handina kudzitora ndakangobhadhara
chete. Ndakadzokera kuGucci
ndokundotenga zvekutsoka ndikadzisiyako
futi. Since ndakazvarwa that was my first
time kutenga zvipfeko zvinodhura kudaro.
Ndichipedza ndakadriver mota yangu
ndakananga kuWestgate Mall uko
kwandakazondotengera Felly ring, handina
kunetseka sezvo ndaiva nesample yacho.
Ndakaitora kwakudzokera kumba but
muhomwe ndainatsa kunzwa kuti ndapera
mari yangu yese yeorder.

Ndichingosvika kumba ndakafonerwa


natete vaFelly vachiti varikukumbira
transport yangu kutakurirwa dovi ravo
nemazowe zvavaiendesa kuSouth Africa
kundotengesa. Tete va Felly zvimwe
nezvimwe vaiva single mother vakagwarira,
vaigona kutsvaka mari padhorobha
zvekutokunda vamwe varume. Well
ndakaenda kumba kwavo
ndikanovatakurira zvinhu zvavo ndobva
tananga kuRoadport kwavaindopa
vemabus. Tavamunzira kuenda kumba tete
vakafonerwa naFelly achiti asvika ende
nguva yacho iyoyo taitotaura nezvake asi
handina kuvaudza kuti ndine
zvandamutengera. Takaenda kundotora
Felly asi mufaro wake wainge usina
kuwanda zvachose, ndakafunga kuti maybe
ndini ndaita asafara saka handina hangu
kuda kutaura naye zvakawanda. Tete
vakangosvika pamba kwakutotisiya
tirivaviri ndiwo mukana wandakakwanisa
kutaura naFelly. I was so happy
paakandindiudza kuti andiregerera,
ndakazoda kuseka zvangu paakandibvutira
diary rake. Anenge anga asingadi kuti
ndione zvirimo apa ndainge ndaona zvese
kudhara ndaida kuzotaura nezvazvo umwe
musi. Airatidza kuva confused zvisingaiti
zvekuti dzimwe nguva aizondidaira
ndabvunza kaviri.
" Babe please chirega kuramba
uchifunganya handiti, kutadza
ndekwemunhu saka kuine ruregerero."

"Tom ndakuregerera ini angosara ndi


Beauty, oogh kuti ugutsikane let me
unblock you." Akadaro achibudisa fon
kwaku unblocker ndakatarisa.

"Beauty handichatombodi kana kunzwa


nezvake muupenyu hwangu."

" Neiko nhai, makapedzisira kuonana


riniko? Arisei hake?" Ndakaramba
ndakanyarara ndichishaya kuti ndopindura
kutii, kuti ndimuudze ainge asvika kumba
kwangu zuro kwacho ndakatya kuti
ndinodzimbira maronda anga ava kupera.
Ndimunyepere zvee ndakatya kuti anogona
achiziva nezvavo akazotadza kundi truster.

" Wakutyaka kudavira zvandabvunza how is


she?"

" Handizivi ini babe ndakatomu blocker


hona oogh?" Ndakadaro ndichibudisa fon
yangu kuti ndimuratidze kuma blocked.
Hameno kuti yakenda kuma calls sei Felly
achibva aona kwakazara zita raBeauty
paaiedza kundifonera ndisingabati fon.

" Itai henyu guys inguva yenyu ende


hazvichatondirwadzi futi nekuti
ndakuregerera. Even ukamufonera now
ndiripo mukasheedzana sweet,honey,
chocolate i don't care."

" Its not what you think babe, hona........


Ndakamuratidza kuti aiva ma missed calls
ake.

" Saka unoregerei kumu blocker


nekumacalls acho wabvisa number dzake
mufon?"

Ndakabva ndaita zvaidiwa naFelly nguva


iyoyo, akada kuti sei wanga uchimirira
kuudzirwa asi ndakangozotsika tsika nyaya
yacho ikapera. Takaparadzana
ndavakuenda kumba but tainge taronga
kuenda ku new start centre
kundoongororwa ropa. Hameno kuti
akazvifunga sei pamwe anga ondityira kuti
ndine chirwere.

Ndakaita kumukira arimakuseni chaiwo


kunge ndirikuenda kubasa. Ndakasvika
Felly achitsvaira chivanze ndobva ndati
ndipe ndipedzise iwe undogeza tiende.
Akandirambidza but ndaiita nharo, tete
ndivo vakazodzimura nyaya yacho coz
ndivo vakazopedzisa kutsvaira.
Pandakabuda naFelly aifunga kuti
ticharurama kundotorwa ropa izvo inini
ndaiva ndatononokerwa nekumu proposa.
Tisu vakaita vekutanga kusvika paJ.J
vakazovhura tavamirira, ndakapiwa hembe
dzangu ndokuenda kuGucci ndikandotora
shangu. Ndakakumbira vashandi vemo kuti
vatipe changing room coz ndaida kuti tive
peefect match before ndisati ndamupa ring.
Akashamiswa Felly ndichimutambidza
hembe dzake kuti andochinja, inini ndini
ndakatanga kupedza ndobva azobuda. Aiita
kuzvivhara kumeso nenyadzi but
ndakashaya chainyadzisa, patakabuda
mushop takasiya vashandi vese vachingoti
wooow wooow, wooow vamwewo ndivo
vaititora mapic. Tainge totoita kunge
maceleb chaiwo.

"Babe thank you very much ummm ko


kusaizondiudza nhai?" Akadaro Felly
tichangopinda mumota, chakandifadza
ndechekuti anga andisheedza kuti babe coz
pese apa anga avakunditi Tom.

" Its ok my love ndoda kukuonesa kuti how


much i love you." Ndakadaro ndakumutsa
mota ndokunanga kwaOK uko kwandainge
ndafunga kundomupfugamira ndiri mushop
chaimo. Ndakasvotwa pandakapinda
ndokuona mune vanhu vashoma ndobva
tabuda tikadzokera mumota medu ende
ndini ndaiita zvekumuvhurira door kunge
queen weku Nigeria. Hatina kure
kwatakaenda ndokuona imwe restaurant
yaitengeswa breakfast ne ice cream painge
pakaita kuzara vanhu ende ndaiziva kuti
Felly ne ice cream zvainzwanana.

"Babe lets buy icecream first before taenda


ku new start." Ndakadaro ndichivhura door
remota coz ndaiziva kuti haarambi.

" Ok but ndirikuda iya ine zvinzungu."


Ndakamuvhurira door ndobva tacrossa
road takabatana maoko, ndakaorde ice
cream yangu ndichipedza kwakumira
pandainatsa kuona kuti munhu wese
anotiona. Ndakabata Felly ruoko ndobva
ndamuudza kuti "i love you" akanditarisa
ndobva anyemwerera, panguva iyoyo order
number yangu yakabva yasheedzerwa but i
ignored. Nguva yandakabudisa ring yangu
muhomwe yebhachi vanhu vese vakatanga
kuscreama vamwe vachiridza muridzo.
Hameno chakandituma kusimudza maziso
ndisati ndapfugama ndokuona Beauty
akamira nechekumashure kwaFelly
akatitarira. Paakangoona kuti ndamuona
akangofuratira ndobva afamba achiita
searikuenda kumota yangu, semunhu
wandaisavimba ndakashaya kuti arikuda
kuitasei chaizvo ndokutora time
ndakamutarisa zvekuti vanhu vese
zvakavanetsa kuti ndaitarisei..................

End of chapter 15
MY ENGAGEMENT RING

WRITTEN BY DR KG MAZANI
APP:+27610921330

AND

TJ....+27610581531
https://chat.whatsapp.com/FT2074lGMYu2T
PRNaP8rmA
CHAPTER 16

Beauty.

Aya ndiwo anonzi masvambi-kongonya


chaiwo kutarisana
kwevakarambana.Mashura akagochwa
chaiwo ndokuiswa sawuti yakawandisa
kwakusasikwa pasi pemuhacha
akamunywa nemujuru. Chaiva chii ichocho
chandaiona pameso pangu nhaimi,
ndakashaya kuti Felly anga adzoka riini
kumusha,kutodzoka nekutengerana hembe
dzakafanana kani chokwadi regai varungu
vakati "wonders shall never kudiii dii woye
hameno vanoziva ndipedzisireiwo.

Ndaida kutopinda zvangu maOK


pandakaona vaviri ava vakapfeka
zvakafanana vachipinda mumota pasina
nguva kwakubva vabuda ndokufamba
vakabatana maoko vachicrosa road; "Ko
iyo step yaFelly mybe inyaya yezvaainge
akapfeka kutsoka kana kuti ndopozi yacho
kuita kufambira nedivi kunge gakanje.
Ummmyaaa zvakaoma hazvo vaya vakati
rudo ibofu vaisareva nhema. Thomas
ainyanyodei chaizvo pamunhu angosara
mabhonzo, ooogh honai kani yowe ko
zvaachapeperetswa nemhepo nhai."
Ndakarovanisa maokokuratidza kupererwa
zvangu ndakavatarisa, Felly hameno
chainge chomudonhedza. Ndakavatevera
zvishoma nezvishoma ndichida kuona kuti
vakanga varikuita nezvei
chaizvo.Ndakademba dai hangu ndanga
ndisina kuvatevera,ndakanzwa vanhu
vakuita ruzha kunoswedera kudai wanei
Tomy aiita seakanga arikubudisa chinhu
muhomwe.It was obvious kuti ndivo
vairidzirwa muridzo nekuombererwa
nevanhu.Ndakaramba ndakatarisa ndikaona
Tomy anditarisawo tikasanganidzana
maziso. Handizivi why asi ndakanzwa
kunyara ndokudzikisa chiso changu,
panguva iyoyo ndakafunga mboma
yandainge ndamborohwa nayo.
Nechemumoyo ndikati zvaTom
hazvinzwisisiki unogona kungokiiwa futi
mutown muzere vanhu ndikashaya
pekunyarira. Ndakajamba road nekukasika
ndichidzokera kwandanga ndabva.

"Kwavo kuri kuda kutora attention yevanhu


here,zvii zvirikuitwa ipapo ko kuzopfeka
zvakafanana ndiko kudii,nxah kushaya
basa ndokuziva ini.Tsvee kudzidzisana kiss
vanhu vakuswerovhaira pameso
pevanhu.Iye mazhambe uyu akadzoka
riniko kumusha kwanga kwayendwa
ndofunga anga aenda kunotsvagira Tom
mushonga chete"

Ndaitaura ndega ndichinanga pamota yavo


yavanga vasiya nechepamberi
peshop.Ndakabudisa fone yangu
ndikatanga kutora mapictures emota yake.
Ndanga ndafunga zvekuzomuwachisa
kutsiva kurova kwaakandiita. Ndakanatsa
kutora zvese kunyanya number plate,
ndakatarisa kwavanga vari ndikaona Tomy
akanditarisa ndokubva ndaseka zvangu
kwakudzosera fone yangu muhomwe.
Ndakaona Tom avakumhanya achida kuuya
kwandiri but haana kure kwaakasvika
akabva adzokera kumashure hameno
zvakanga zvaitika vanhu vaingoti "hiiii hiii
nhaimi ko chii aitasei nhaimi!" Handina
kuziva kuti chii changa chaitika uye ndiyani
aibvirwa, vamwe vanhu vainge vangomira
mira nemafon vachiita sevarikufona. Moyo
wangu waiita kutsva chaiko ndichida
kuenda kundoona chainge chatora nzvimbo
asi ndakatya. Ndakaramba ndichifamba
kuenda kunokwira tax chero ma OK macho
handina kuzopinda.

"Asi maimbova neiko mukabook kaya? it


seems like ndiko kakuchidzira rudo
rwevaviri ava.Sarini Felly naTomy kupfeka
hembe dzakafanana?Dai ndakangoziva
zvangu ndakatanga
nekukaverenga,ndaizowedzerera
kunyorawo zvangu zvaizoita
arambwe.Hameno ndakanonoka kufunga
neiwo ko zvandomboita semunhu
akangwarira wani nhaimi. But kuungana
kwakaita vanhu apo pane zvikuru zvaitika
chete?, nxaa naivo vachinyanya"

Ndaitaura ndega ndichiita kusvotwa


nezvandanga ndaona vaviri ava
vachiita.Ndakapinda mutax ndikagara
kuback seat kukona chaiko ndokuisa
muromo wangu mumhino ndakaisa musoro
pawindow ndichifunga kuzosvika kuna tete
ndovabvunza nezva Felly obvious
vaizonditaurira zvese.

"Sister ndokumbirawoka tichinjane


pekugara?"

"Nekuti zvadii,ini kuuya kugara pano


handiti kupada here.Sei muchivhaira nhaimi
baba moti kupfeka fedhedhi jean mukati
mava nemari here zvekusvika pakuudzira
munhu wese zvamunoda? bvaa kana
munayo mari tiratidzei ka makey emota
yenyu handifungi chero card rekubank
munaro ini nxaa."

"Iiih sorry zvenyu vahanzvadzi sorry


mudikanwi,ko ndambonyanya tadzeiko
kubva mandinonga kudaro?"

Vakadaro bhudhi vaya vachitobva kuback


seat kuenda nechepamberi.Vaiva vadenha
mago chaiwo kwandaibva kwaiva kusina
kumira zvakanaka ndosaka ndakavadira
rough yaipisa semasvusvu ehwahwa
hwemagadziro. Vanhu vaiva mutax
vakashaya kwazvaibva nekwazvaienda
nako asi ini ndaiziva kuti ndanga
ndasvotwa naTomy. Ndakabva ndabairira
ma earphones angu munzeve ndokuridza
masongs angu ndisina kupindura, bhudhi
avo ndainge ndatopedza navo zvangu.

"Asi Tomy haana kukwana


zvachose,anodzokerana nemunhu anga
amuramba seiko,kwake kugumirwa nenyika
here?" Ndakazvibvunza nechemumoyo,
nerimwe divi ndichifunga kudyiwa
kwandaiitwa nadoctor. Vaiita kunge
varikudya ice cream wena ummm vamwe
varume havasemi zvachose. Chete rangu
harisemese nekuti ndogara ndakabvisa
uswa hwese harimboiti segombo risina
anorima.

Ndakatozoona kuti ndanga ndadaridzwa


pabus stop ndakutosvika maside aigara
baba P. Ndakabva ndatanga kupopotera
driver wacho ndichinyepa kuti ndanga
ndadaidzira bus stop asi aramba
achifamba.

"Vahanzvadzi regai pamuromo


imi.Madaidzira bus stop kupi
ndikasamira,imi mega ndimi modaridzwa
bus stop vamwe vese vasikudaridzwa
nekuti zvaitasei?"

"Ini ndati ndadaidzira.Zvamavakutaura


nekundibvunza zvava zvenyu izvo.Kana
mashaya mhinduro endai munobvunza
mukadzi wenyu kumba, nxaa kungoti
zvinzeve zvakatiza musoro kunge tsuro
yemusango"

Ndakadaro ndichirovera door retax vanhu


vaivamo vakapera kuvhunduka vese.Driver
akadzosa mota kumashure ndokusvikomira
pamberi pangu chaipo.
"Kana uine mastress ako pedza wega
wanzwaka?Wapinda mutax uchingori
mumood manje kana usingazive ini
ndokubinha,vaikurova vaikugumha hembe
ndokurova ukakanganwa zita rako.Kushata
kunonyimisa mai munyu mumaraini"

Akadaro driver uya kombi yese ikafa


nekuseka.Handina kuzomudaira ndaiva
ndotya kuti anodzika akandirova.Iye akanga
ati vaindirova vaindigumha hembe
ndakafunga kuzvambaradzwa kwandaiva
ndaitwa naTomy ndikaona kuti kana
kwaizodarika apa ndaigona kuzofira
mumaoko evanhu.Shungu dzekupindura
ndaiva nadzo asi hana yangu yakandiudza
kuti "Dzikama Bee unorohwa ukafa
nevanhu vemushika shika ava "
Ndakatatarika nemaplastic angu
ndavakudzokera kwandanga ndapfuudzwa
nevagonhi.

Ndichisvika pamba ndakangosvikokanda


maplastic ezvinhu zvandanga ndatenga
ndokumbozorora.Ndanga ndaneta,ndakada
kuturika tutsoka pasofa ndikaona haikona
shenha.Kana iye anga achimbumura
mhunga muchirimo ahadaro
ndakatombozviseka hangu.

"Itwo twutsoka nhai Bee wakuita kunge


katsoko karikubva kumabarwe ekugomo
kuKuwadzana uko.Zvakaoma chokwadi
zvichivambwawo nanaFelly vanoda kuzviita
ndivo vanogona kutsvaga varume"

Ndakaita kachikweee kangu ndega


semunhu ainyeya ega hake.Ndakasimuka
paya ndavakud kunogeza ndaida kuwona
kuzoyedza hembe dzandanga ndaswera
ndichitenga kuona kuti dzaizondigara here
ndapedza ndoenda kwatete.
Ndichangosimuka ndisina kana
nekwandanga ndaenda fone yangu yakabva
yaringer

"Ndiyaniko iyeye,nguva yose ndanga


ndakagara anga achidii
kufona?Zvekuvhiringwa ndombozvida here
ini?"

Ndaitaura ndega ndichidzokera pandanga


ndasiya fone.Ndakaitarisa ndikaona ari
Vigie ndokumboikanda pasi.

"Arikudei kwandiri,zvekushandiswa
ndombozvida here ini?"

Ndaitofamba kuenda kubedroom


kwangu.Fone yakaringer kepiri futi
ndikadzoka ndokuidaira ndikaramba
ndakanyarara.

"Beauty?"

"Mhaaa"

"Ummm kwakanaka hako?"

"Totobvunzaka iweka wafona?"

"Ko chii nhasi nechick?"

"Wafona kuda kundibvunza izvozvo?"


"Ayewa"

"Then go straight to your point"

"Ummm Bee ko ndakakutadzirei nhai


wakundikacha kacha seshomwe kudaro?"

"Ungaitei zvako iwe Mr Holigher?"

"Ok..Asi urikurwara here?"

"Nope andisi asi ndikutaura kunge


murwere."
"Ooohk ndafunga kuti pamwe pane
zvakasara zvikaitika tabva kwadoctor"

"Zvinengei?"

"Any symptoms pane zvakataurwa


nadoctor?"

"Nope"

"But mapiritsi wakanwa here?"

"Nope"
"Why Bee,urikuziva kuti urikufanira kunwa
mapiritsi iwayo nomater what.Sei usina
kunwa?"

"Usaitaka sekuti urikundituma kunwa


mapiritsi emusoro iwe uchindituma
kuuraya"

"What do you mean,hatina kubvumirana


here kuti mimba urikubvisa?"

"Well,i have changed my mind"

"You can't change your mind Bee.This road


is for two of us,ahuite decision yakadaro
wega plus i paid mari yakawanda kuna
chiremba"

" Ndezvako izvo ndokupusa ka ikoko


wakamboonepi munhu anobhadhara
chiremba kuti amuuraire mwana wake.
Chimwe chaunofana kuziva ndechekuti
ndini ndakatakura mwana uyu Vigilance,so
iam the one anodecider.Ini zvekubvisa
pamuviri ndakafungisisa andichada.Iwe
kana uyine pako yes go ahead pabvise ini
pangu andidi napo"

"Why nhai Bee?"

"Siyana nekundibvunza zvisina basa


iwe.Ndati andisikubvisa mimba nekuti
heard that zvourayisa plus zvogona
kuzondikanganisa kweupenyu hwangu
hwese.Ndochengeta zvangu mwana wangu
don't worry ndavamunhu mkuru"

Akamboita time akanyarara ndikasekerera


hangu ndichitamba nedumbu rangu rumwe
ruoko ruri pafone.I was imagining dumbu iri
rakura ndichiyemerera zvangu
ndiripachipfuva chaVigie ndichidya
mafruits.Pava paya akazoti.

"Beauty?"

"Yes iam still here"

"Mybe we have to sit down,totaura about


this issue very well.I know you love me but
ini andina mafeelings newe that's why
ndanga ndati ubvise hako pamuviri
pacho.Andidi kukutambisira time"

"Unouya totaura.Unouya when?"

"I will tell you kana ndakuuya"

"Ok"

"Ko iwe ndiudze.Andina kuzowana time


yekukubvunza about mukomana uya"

"Mukomana upi futi?"

"Ayikurova that day?"


"Ooh Tomy?"

"Yes iyeye"

"Urikuda kuzivei iwewe?"

"Zvese ndiudze tinzwe"

"Vigie mukomana uya akada kurara neni


ndikamurambira.Ndakamuti ndavakuudza
shamwari yangu ndipo akatanga kundirova
achiti ndini ndanga ndamuseducer inga
ndakambokuudza wani paakandirova
pekutanga. "

"Oohk ko zvediary zvaakataura?"

"Akakuudza kuti maiva nei here?"

"Ahana hake"

"Anopenga Tomas uya.Ini zvaitova mudiary


macho anditozvizivewo asi anoramba
achitaura nezvazvo.Felly aiva panguva
yakaoma ndiye akandituma kupa
mukomana wake diary ndikaendesa
pedzezvo ndini ndavakuitwa munhu
akaipa.Zvakaoma hazvo nhasi hameno kuti
vanga vachichata here ndavasiya
vakaunganirwa nevanhu mutown."

" Vanani futi?"

" Iye zvee wekundirova nemboma kunge


imbwa yaba."

Ndakanyepera kuchema ndichida Vigie


asiyane nenyaya yacho.Akabva atosiyana
nazvo ndokukumbira ruregerero

"Sorry Bee ndanga ndichida kungonzwisisa


nezvayo chete"

"No its fine.Nyaya inondirwadza ndeyekuti


vanhu vaya vakasanganiswa neni.But now
voti ndovaitira jealous kuti zvidii?Handina
chandinorwa neshamwari yangu asi iye
anondifungira zvakaipa"

"Chirega kuchema kani Bee.Iam sorry


ndozvinoita munhu wenyama haana
mugoni"

"You know what Vigie?Ini iam done with


friends better kutamba ndega. Zvonetsa
zvemashamwari izvi.Ndakuda kutanga
panyowani so please taura nehanzvadzi
yako isiyane neni.Takazivana nekuda
kwako so iwe neni sezvo wati we are
history ngaasiyane neni arege kusvika
kumba kwangu"

"Bee ndokwatova nenyaya yacho here plus


ndiwe wakazvizivisa kuna Vannesa?"
"Yes ndokwayava.Vanhu vanondida
vachida kundishandisa,after vanobva
vandirasa sevarikurasa a used tissue.That's
what you did newewo,after sleeping with
me husiku hwese,kundishadabusira
uchindiitisa mastaira amwe ekuita
sendichabudisa hura nemukanwa.Wopedza
woti ahuna mafeelings neni.Ibvai henyu
muupenyu hwangu nditange zvitsva as a
single mother"

"Beauty listen,ini andina kuti you are a bad


person.Vanessa anogona kutoita a good
friend for you saka why wavakuti ndimuti
asiyane newe?Usandivenga Bee
ndakumbirisa hangu"
"Now chikoro ndichasiira panzira nekuda
kwemimba.Anonditarisa hapana or
anozondibatsirawo apo nepapo"

"Ndosaka ndanga ndati tibvise pamuviri"

"No i cant"

"Ok.But ini ndokumbirawo kuti


usandibloke,ndikafona undidairewo Bee"

"Ok"

Ndakanga ndavakutaura neizwi rainzwisa


tsitsi uye riine kakuchema mukati.Ndofunga
ndizvo zvakaita Vigie anzwe tsitsi nekuti
azoguma oti tiite mashamwari.Paakati tiite
mashamwari ndakafara
zvisingaite,ndaitoziva kuti muhushamwari
imomo ndimo maizobuda
zvose.Ndaizoramba ndichirara naye tiri
mashamwari kudaro kusvika ajaira
chete.Kana ari mastaira ndaitofanira
kuzoenda pagoogle kunotarisa amwe so
that kana toita mutambo wedu
aizokanganwa zvekuti ahana mafeelings
neni izvo.Ndakatozoita zvekugara pasi
kukanganwa chaiko ndichitaura naVgie
paphone.

"Chirega ndishande Bee.Ndozokufonera


time time"

"Ok byee"
"Take care"

Ndakarembedza miromo zvangu


ndichitoshaya kuti take care yei yaitaurwa.

"Hezvoo ko zvandazoturika tumupimbira


pasofa nhaimi.Shena yose yaperera
pasofa"

Ndaitaura ndega ndichidzikisa makumbo


pasofa panga patosara shenha
zvapo.Ndakaenda kunogeza ndokudzoka
ndavakupukuta pasofa pandanga ndaisa
shenha.Ndiripakati pekupukuta sofa
ndakanzwa mota yaVanesa yasvika,ndanga
ndavakuiziva kutinhira kwayo and this time
panga pasina matizire anga angosvika
asina kufona.Ndakadongorera nepawindow
ndikaona ndiye zvake mwanasikana
achidzikisa maplastic akawanda
wanda..Akapinda mumba achiisa maplastic
aya musitting.Akazopedza ndokuuya
pandaiva chaipo kwakuzondimbundira.

"Ive missed you Bee"

Akadaro Vanesa akanditarisa


mumaziso.Ndakashaya chekupindura
ini,ndakangoramba ndakamutarisa
ndichipusa kushaya mhinduro
chaiyo.Ndichikufunga kudaro ndakakaruka
Vanesa avakundikisa.Ndakangoteramira asi
mumoyo muchibaikana nezvandaiitwa
naVanesa.

"Thank you"

Akadaro mushure mekundikisa ndikabva


ndamhanya kutarisa kumaplastic anga auya
nawo.

"Ndezvepano here izvi?"

Ndakabvunza ndichinyepera kuvhura


vhura.Vanesa akati zvakanga zviri zvedu
zvose since iye akanga avakuzotanga
kugara pamba neni.Hana yangu yakaita
seichasvakuka muhembe kuwira pasi.

"Kugara pano?"
Ndakamubvunza ndichitaridza kushamisika
zvakanyanya

"Ehe kugara pano.Bee i cant even spend


half day without seeing you zvese
zvaunoda ndichakuitira ukangobvuma
zvandoda. I have to follow mafeelings angu,
ndinonzwa pamoyo pangu pachiita
kurwadza chaiko.I love you Bee and iam
sure you also love me"

Akadaro akaita kunditarisa chaiko.Aya


ndiwo ainzi nevakuru mazvokuda mavanga
enyora.Ndakanga ndaiteiko ini nhaimi
Mwari.Ndakangosekerera ndakamutarisawo
ndichisimudza maplastic kuendesa
kukitchen.Ndakasvika kukitchen
ndikananga pasink kunogeza muromo
wangu ndainzwa kuswinyiwa chaiko
zvichidzika nepahuro.

"Are you ok?"

Ndakacheuka ndikaona ndiVanesa zvake


anga atevera.

"Yes dear iam"

Ndakadaira ndichigutsurira musoro uku


ndichipukuta muromo wanga
wavakuchururuka mvura.Hapana
zvandaigona kuita kuti Vanesa asaita
pfungwa iyi.Handina kumublema asi
ndakazvipa mhosva nekuti zvaiita izvi
ndizvo ndaifanira kuti hanzvadzi yake iite
kwandiri manje shiri ndiyo yanga yabvuta
rekeni.Ini ndaida murume kwaye anopedza
nyota kwete zvekuzodanana neumwe
mukadzi izvi.Ndaidawo kuvaka musha
kwawo kwete wematope wandanga
ndatarisana nawo uyu.Akatanga kufamba
Vanesa achiuya pasink
pandaiva,ndakanzwa muviri wangu wese
kutsva chaiko zvose nekudedera.Hameno
kuti kutsva nekubvunda zvakatanga riini
kufambidzana?Ini ndoziva chando chiricho
chinofambidzana nekudedera
"Asi urikurwara nhai Bee?"

Akabvunza apa aita kumira pamberi pangu


akabata chirebvu changu.Ndakafunga kiss
yaanga andipa pakutanga ndikabva
ndatofamba kubva paari ndokunogara
pachair yaivamo mukitchen umu.

"Andis kurwara Vanesa"

"Ok.If it is about the kiss then iam sorry"

Akadaro achiisa ruoko rwake papfudze


rangu.Ndakacheuka ndokumutarisa
ndikanzwa tsitsi nechiso chake.Ndaisada
kumurwadzisa aizodzokera nezvinhu
zvaanga atenga uye aisazondiitira zvaanga
andivimbisa so ndakunyepera.
"Its not about that Vanesa.Inyaya yekuti
neniwo ndainzwa zvimwechete asi
ndaitadza kuzvitaura.Iam also worried
naVigilance kana akazoita find out"

"We dont have to tell him.Lets have it as


our secret.I mean we dont have to tell
anyone even ani zvake"

"Ok.If you say so"

Ndakabvumirana naye.Chokwadi ndakanga


ndisingade kuti vanhu vagoziva kuti zvii
zvayiitika pandiri naVanesa.Ndaida
kuzonyepera kuwirirana nerudo urwu
kusvika ndazoona plan yekuita kana
ndambodya mari.If it means kutotiza
muCity zvaiva nane,zvichida ndaigona
kuzonosangana neumwe mkomana akada
nezvangu nekuti naVigie zvaitova pachena
kuti anga asingade nezvangu.Handina kuti
ndaisazozama zvekare asi hope panga
pasisina.Takazorongedza zvinhu zvedu
ndokupedza kwakugadzira mumba
achichinja order zvese nekuchinja mamisire
andanga ndakaita mubhedha.
Tichirongedza kudaro aimbopota
achindirova magaro hake uone ini
kusvotwa kwandaiita asi ndaisazviratidza
kwaari ndaingofira mukati kunge tsoka
yakapfeka bhutsu inoshinya uku bhutsu
yacho ichinhuwa. Nguva dzakafamba
tikazobika kudya kwedu
kwemanheru.Vanessa semunhu aishanda
husiku akabva abuda zvake ndokuenda
kubasa kwake but musi uyu akasiya mota
hameno munhu aizomutakura.

Paakabuda ndakaona kuti time dzekuenda


kwatete vaFelly dzadarika ndozozviita
umwe musi coz ndaitya kuwana Felly
wacho ariko. Ndakasara musoro uchiita
seuchaputika nepfungwa ndichifunga
zvandainge ndatanga naVannesa kuti
zvichagumepi.Dai zvainzi pfungwa
dzikafungisisa dzinozvimba,dzangu musi
uyu ingadai dzakazvimba kana kuvirikana
imwechete yoita nhatu
chaiko.Ndirimundangariro husiku ihoho
ndakafunga nezvaBaba P.Ndakamuka
ndokutarisa mari yanga yasara
muchikwama changu ndikaona mune mari
inoverengeka ndokubva
ndasekerera.Ndakatarisa padivi ndokuona
macar keys aVanesa ndokumatora
ndavakumatambisa tambisa zvangu.

"Baba P here i come mangwana tichaswera


tiri vaviri"
Ndakataura ndega ndichisekerera
ndokuzvikanda pabed hangu ndavakubaya
baya fone yangu.

"Hey beautiful"

Yakapinda massage from unsaved


number.Ndakamhanya kutarisa paprofile
ndikaon pasina chinhu.Ndakangodairawo
ndisingazive ndiyani.
"Hey ndiyani?"

"Doctor Keny"

"Ooh how are you?"


"Good.I miss those big sweet bums and
hips"

Kuzondidaro ndakaita kunyunguduka


hangu.

"I also mis that big and blackish stick"

Ndakadaro zvangu ndavakutonzwa muviri


wangu kubaya baya chaiko.

"Then lets meet tomorrow at 12:00 same


place"

*The book will be on sale starting from


chapter 17.To subscribe send 200 rtgs
panumber yaS Mazanhi 0773440876 wouya
neproof of your payment kuvanyori
vachakuisa kuSub grp uko kunouya one
chapter per day kusvika book rapera*
*SA side tinoisa cell c airtime ye R30
panumber dzevanyori dzinoti*
*0610581531 TJ*
*0610921330 KD*

*_Thank you guyz for your support_*

*End of chapter 16*

#PDF CREATED BY LORITY ARTS#

You might also like