Shona Teachings

You might also like

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 19

*This is too long but beneficial to those with kids studying Shona.

Kana imi vakuru you will


learn zvimwe zvamanga musingazivi.*

*BATSIRAI VANA HOMEWORK*

1. Mukadzi anozvara vana vakafa anonzi *Svusvura*.


2. Mwana anofira mudumbu anonzi *Pfonda*.
3. Vabereki vakafirwa nevana vose vanonzi *Tsuro/muzvarireivhu*.
4. Muroora mkuru mumusha anonzi *Ndangaruvanze/hosi*.
5. Mkwasha mkuru anonzi *Nhangaruvanze*.
6. Muvhimi wechikadzi anonzi *Maisiri*.
7. Mwana anofa asati amera mazino anonzi *Gambe*

● Mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *dangwe.*


● Mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi *gotwe.*
● Mwanakomana waMambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *nevanji.*
● Mwanasikana waMambo (Murozvi) anonzi *vaMoyo).*
●Munda mutsva unonzi *gombo.*
● Tinorima nzungu nenyimo *mutseu.*
● Tinorima muriwo *mubindu.*
● Munda waimborimwa kare unonzi *gura.*
●Tinorima mupunga *mudoro.*
● Murume abve zera anonoka kuroora anonzi *tsvimborume.*
● *Mhanje* mukadzi asingabereki.
● *Ngomwa* murume asingabereki.
● *Pfunda* murume akafirwa nemukadzi.
● Mukadzi akafirwa nemurume anonzi *chirikadzi.*
●*Nherera* mwana akafirwa nevabereki.
● *Musiyiwa* munhu akafirwa.
● *Tsiru* imombe hadzi isati yabereka.
● Mombe hono inosungwa inonzi *dhonza.*
● *Mhou* imombe hadzi inobereka.
● *Ramba* imombe hadzi isingabereki.
● *Mufushwa* muriwo wakaomeswa.
● Nyama yakaomeswa inonzi *chimukuyu.*
● *Shupa* izai risingatsotsonywi.
● *Gavamwedzi* mwana anozvarwa nguva isati yasvika.
● Nyemba isingaibvi inonzi *nhinhi.*
● *Manda* mafuta enyama.
● *Horomba* igudo guru rinofamba roga.
● *Chitunha* muviri wemunhu akafa.
● Munhu asinganzwi anonzi *matsi.*
● Pakabva zino panosara *vende* kana kuti *nyada.*
● *Bofu* munhu asingaoni.
● *Chimumumu* munhu asingatauri.
● Mwana anozvarwa akafa anonzi *gambe.*
● Makudo anorara *pachiro.*
● *Nzuma* imombe isina nyanga.
● *Tsote* imhuka hadzi isingabereki.
● Mombe hono isina kuchekwa inonzi *handa.*
● *Dore* imombe yakwegura.

●Munin’ina kana mukoma wemurume wako anonzi *muramu.*


● Mukadzi washe anoroorwa mushure mewokutanga anonzi *vagota.*
● Mukadzi washe wokutanga anonzi *mukaranga.*
● *Vahosi* mukadzi mukuru paguru.
● *Murongo* mukadzi mutsva.
●*Nyachide* mukadzi anodiwa zvikuru pabarika.
● *Mukurungai* mubereki wemuroora wako, kana kuti vabereki wemukwasha wako.
● *Gota* imba inorara vakomana.
● *Nhanga* imba inorara vasikana.
●Murume akwegura anonzi *harahwa.*
● Mukadzi akwegura anonzi *chembere.*
●Musikana adarika zera rokuroorwa anonzi *tsikombi.*
● Musikana asingaroorwi anonzi *mbonga.*
● Mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi *durika.*
● Munhu akafa karekare anonzi *mukare.*
● Wedzinza rako akafa karekare anonzi *tateguru.*
● Munhu akura asi asingaratidzi kuchembera anonzi *goremucheche.*
●Nzvimbo inobikirwa hwahwa inonzi *bikiro.*
● *Bombwe* mukadzi anomiririra panoroorana vaviri.
● *Fende* munhu anehutsvina.
● *Bondwe* mukadzi wechipiri pabarika ari munin’ina wemukadzi wekutanga.
● Muripo unopiwa ishe kana achitonga nyaya unonzi *chirigo.*
● *Bakuro* chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukuwasha.
● *Chigadzamapfihwa* mukadzi wenhaka.
● *Chimutsamapfiwa* mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya kuzoroorwa
nemurume akafirwa.

● *Chimwayange* munhu anotaurisa uye achinyepa.


● *Humburukwa* murume akafirwa nemukadzi.
● *Gwevedzi* munhu anotumwa nemumwe kundomupfimbira musikana.
● *Mbeveve* munhu asingatauri.
● Kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi *nduma* sechiratidzo
cherudo rwavo.
● *Nyachide* mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti
pachipari.
● Mukadzi mudiki paguru anonzi *mukadzinyina.*
● *Gupuro* imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi mukadzi wake.
● *Chekaukama* imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida
kuroora musikana waane ukama naye.
● *Danga* imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora.
● Mukadzi akambozvara, asi zvikuru asiri pamurume anonzi *mvana.*
● Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi *sadombo.*
● *Barika* kana kuti *guru* musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete,
panguva imwe chete.
● Munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi *muzvere.*
● Munhu anotya zvikuru anonzi *gwara.*
● *Mhizha* inyanzvi yekugadzira zvinhu zvesimbi.
.
● *Charavanda* mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza
kusvusvura.
● *Chifemba* idoro rinotanga kupiwa vanhu, kazhinji panhimbe.
● Doro rinopiwa vanhu vari pakati pokurima pahumwe rinonzi *chiwanano.*
● Kudya kwamanheru vanhu vasati vavata kunonzi *chirairo.*
● Kudya kwavanhu kwamangwanani kunonzi *chisvusvuro.*
● *Hurudza* murimi anemukurumbira.
● *Nyamukuta* munhu anoita basa rekubatsira vakadzi pakuzvara.
● *Chirara* indima inosara isina kurimwa pakati pedzakarimwa.
●*Dongo* musha wakatamiwa.

*MHUKA NEVANA VADZO*

Hwai – shere
Gava – hambwana
Inda – rakadzi
Kamba – shasha
Garwe – ganyamatope
Tsuro – nhowa
Shumba – handa
Rwaivhi – mandishaya
Hove – rereza
Katsi – chidharimbo
Shoko – maidei/shokorana
Mbira – chiduwa
Njiri – chinjerete
Mvuu – handachibvuwa
Bimha – tsvana
Mbeva – manditeya
Nyuchi – zana
Datya – zunguzurwa/buruvuru
Nzou – mhuru
Huku – nhiyo
Gudo – rushiye
Munhu – rusvava.
*Tsumo*
1. Afirwa haaringwi kumeso
2. Aguta haaoneki
3. Aiva madziva ave mazambuko
4. Akuruma nzeve ndewako
5. Akwewa sanzu akwewa namashizha aro
6. Ane ganda ane nyama hazvienzane nowakabata hohwa
7. Ane marengenya haacharike moto
8. Ane mhuri kwayo ndeane ndume ane mhurikadzi vaeni
9. Anokutukira badza unokupa upfumi
10. Apunyaira haashayi misodzi
11. Ashamba haanokorerwi
12. Atandavara aguta, apfunya ndiye avata nayo
13. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro
14. Atswinya arwa
15. Avengwa anhuhwa
16. Benzi rikasaimba manjemanje richamhanya bani
17. Chada mwoyo hachikoni, mwoyo chiremba
18. Chafamba chasvava
19. Chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo
20. Chaitemura chava kuseva
21. Chakabaya chikachokera
22. Chakaenzanwa ibvudzi upfumi hahuna kuenzanwa
23. Chakafukidza dzimba matenga
24. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi (munyu)
25. Chakatairi pasi ndechevanhu vose asi chiri mumuti ndechowagona kukwira
26. Chakatanga ndochakachenjedza
27. Chako ndechako kuseva unosiya muto
28. Chapadare chakakandwa parurimi rwavapfuuri, chomumba chiri mumhepo
29. Chapinda munzeve chavaridza bonde
30. Charova sei chando chakwidza hamba mumuti
31. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba
32. Chati homu chareva
33. Chauya masikati charamba ndima chauya usiku charamba hope
34. Chava chigondora chava chimombe kutadza kutunga hurema hwacho
35. Chavavana batisisa mudzimu haupi kaviri
36. Chavavana pfumbata vashakabvu havakandi ruviri
37. Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa
38. Chawira pasi mudzimu wembwa
39. Chekuba hachigari
40. Chembere masikati usiku imvana
41. Chembere mukadzi hazvienzani nekurara mugota
42. Chembere ndeyembwa yomunhu inofa ichigurukuta
43. Chembere ndeyembwa yomurume ndibaba wavanhu
44. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi
45. Chibwe chiremera chavari kure vari pedyo vanotamba nacho
46. Chidamoyo hamba yakada makwati
47. Chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho
48. Chidhiidhii kutsvara hundi moyo uri kumakoto
49. Chidokodoko chirere muviri chikuru chinozouya wakora
50. Chidziva chakadzikama ndicho chinogara ngwena
51. Chigare chenda kudya akaitakura
52. Chigarisano ndicho chine mhosva
53. Chigere ibwe muti unowa
54. Chikomo shata divi rimwe ritambire pwere
55. Chimwe nachimwe chine nguva yacho
56. China manenji hachifambisi chinomirira kuti mavara acho aonekwe
57. Chinogova ruoko muromo haugovi
58. Chinokanganwa idemo asi chitsiga hachikanganwe
59. Chinokokwa upfumi urombo hunozvikoka
60. Chinokura chinokotama musoro wegudo chave chinokoro
61. Chinokura choga isango munda kukura huona tewe
62. Chinokura usipo imombe munda unokura nokuvandurirwa
63. Chinono chine’ngwe bere rakadya richifamba
64. Chinonzi regedza ndechiri mumaoko chiri mumoyo unofa nacho
65. Chinotanga mberi mashura
66. Chipitipiti chakazvara chimwandamwanda
67. Chirema ndechina mazano chinotamba chakazendama kumadziro
68. Chirere mangwana chigozokurerawo
69. Chiri mumoyo chiri muninga unofa nacho
70. Chiri pamuchena chiri pamutenure
71. Chiripo chiripo ndarira imwe hairiri
72. Chirungurira ndechowadya maradzwa chowerinopisa isvoto
73. Chisi chako hachibatsiri unodya wakaringa kumusuwo
74. Chisi hachieri musi vacharimwa
75. Chisingaperi chinoshura
76. Chitaurirwa mbare dzekumusana
77. Chitende chinorema ndechine mhodzi
78. Chitsva chiri murutsoka
79. Chitsva chitsva munamba wejenachena
80. Chivendekete anoseka chimedure
81. Chomukuru anopa omene
82. Chomukuru hachikumbirwi
83. Chura kugara mumvura handi kunwa
84. Dare harizondi munhu rinozonda mhosva
85. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana iro rokwehwa roti mavara angu azare’vhu
86. Dzakatamba nepwete dzikareswa kudzorerwa
87. Dzavira mutswanda hadzichanetsi kunhonga
88. Dzvinyu kuzamba zuva huona bako
89. Fodya haina manenji semhamba
90. Fodya haina shura sedoro
91. Gapakapa ndere fodya remhudzi rinokura nokusakurirwa
92. Gombarume kudze soro kukudza dumbu wonge wave chana
93. Gona ana gona vakewo
94. Gona rehupfumi iziya
95. Gondo kuengerera raona zumbu
96. Gore haribvi pakabva rimwe
97. Gore musandu
98. Gunguo rakaramba kumirira museve rikapona nehwakumukwaku
99. Gunguo rinodya mbamba, rino muchero waro
100. Hakuna dziva risina chura
101. Hakuna mombe inokorera pamarekete
102. Hanya nani chidoma chekwaChivi
103. Hapana angagone chisingagoneke naGona
104. Hapana chembwa tenzi vararira mutakura
105. Hapana mhou inokumira mhuru isiri yayo
106. Hapana mukuyu unovinga shiri
107. Hari haiviri isina mukuchidziri
108. Hauzivi tsanga inokodza tsambakodzi
109. Heya baravara ndiwo magariro kutuka mwene wechisvo ndiwo mano
110. Hope hadzina ndima
111. Hove dzinokwira dzine muronga
112. Hove huru dzinodyira kwodoka
113. Hukwana inodya ndeiri pana mai
114. Hurudza inofa ichinzi inodya
115. Hwahwa hahuna mbuva
116. Ibangano muchateya kuzondoona kwava kwomumwe chete
117. Idambudziko rehope kurota kwawakarambwa
118. Igangaidza mukwenyi mhezi kuvavira mumoyo
119. Ikamwe pagore hembe yenherera
120. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematowo
121. Imbwa payadyira haipakanganwi
122. Imhashu yomurwere inogochwa yakabatwa gumbo
123. Inotanda yomunyepi younyerere haitandi
124. Ishe ndishe, muranda muranda
125. Ishungu dzomutana waswera padare kuramba nemhandire seane meno
126. Isimba kaviri kurwa nemukadzi weasipo
127. Kakara kununa hudya kamwe
128. Kamoto kamberewere kanopisa matanda mberi
129. Kana shumba ikashaya nyama inodya uswa
130. Kana wadya imbwa idya iri hono
131. Kandiro enda kandiro dzoka
132. Kandiro kanoenda kunobva kamwe
133. Kangoma kana koririsa kawa pedyo nekuda kubvaruka
134. Kubaya tange hama vatorwa vakutye
135. Kubikira mweni kumudzinga
136. Kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene wayo
137. Kuchenjedza nyamukuta kuzvara uchada
138. Kuda chemungozva kubata mwana
139. Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfiwa
140. Kudya chevapfupi nekureba
141. Kudyirwa munda nembwa sendakarima nyama
142. Kufa izuva rimwe, kuora igore
143. Kufa kweane hari anosiya mazonde
144. Kufira mafufu segonzo
145. Kugara nhaka kuona dzevamwe
146. Kugarika tange nhamo
147. Kugocha kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto
148. Kugutswa nguva shoma senzara
149. Kujaidza makudo neanokamhina
150. Kukokwa kwasamusha kukokwa kwavagere naye
151. Kukonwa kwedare kukonwa kwamambo
152. Kukurukura hunge vapotsva
153. Kungotya nyanga dzezizi nyamba manhenga
154. Kunokanganwa mudyi wenyemba muoreri wamateko haakanganwi
155. Kupa kuturika
156. Kupedza nyota kuenda padziva
157. Kupfuma kwemuchana mudzimu wake
158. Kuramba dzvuku kuona jena
159. Kuramba nyama yechidembo hunge une yetsuro
160. Kurava mbudzi nedzisipo kurava nedzava matowo
161. Kuravidza chembere muto wegwaya mangwana inofira mudziva
162. Kurayira kunoda pwere mukuru ndimambo
163. Kure kwegava ndokusina mutsubvu
164. Kure ndokuna amai kune mukadzi unofa wasvika
165. Kurembera kwedamba handiko kuwa
166. Kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma
167. Kurera imbwa rera inoruma igokudzivirira mupfumvu
168. Kureva ndokunei, kutarisa kurevawo
169. Kurova imbwa wakaviga mupini
170. Kurumwa nechekuchera
171. Kusaziva kufa
172. Kutaura kudzikisira kuita makata
173. Kuvhunduka chati kwata hunge une katurike
174. Kuyewedza semhiripiri mukati izere uturu
175. Kuziva mbuya huudzwa
176. Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira
177. Kwamairidigikira ndiko kwomoringa benya, kwamairinga benya ndiko kwomoridigikira
178. Kwave kusakara kwedowo serisakadyiwa nyama
179. Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe
180. Mai musuva usingasevi muto
181. Makunguo zvaakatya akafa mangani
182. Makunun’unu maodza nyemba
183. Manenji kuona kamba ichitamba nembudzi
184. Mangachena inoparira parere nhema
185. Manyengedza pfungwa efodya kuzadza dama nehutsi husingasviki kuguru
186. Mapudzi anovira kusina hari
187. Matakadya kare haanyaradzi mwana
188. Matanda makuru mazunguniswa
189. Matende mashava anovazva doro
190. Matukirwo ababa kunema mwana
191. Matsotsi haagerani
192. Mazvokuda kufa namaronda enyora
193. Mbavha imbatwa, mbavha-rutsoka ishamwari
194. Mbiri matende inoputsika
195. Mbudzi kudya mufenje kufananyina
196. Mbudzi yazvarira pavanhu yati nditandirwe’mbwa
197. Mhembwe rudzi kuzvara mwana ane kazhumu
198. Mhondoro kurura inotanga wayo
199. Mhosva haiori
200. Mhosva inorondwa hakuna mhosva yakaita honye
201. Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa
202. Miti inomera pamwepo hairegi kukwizana kana kune mhepo
203. Mombe yekukumbira ndeyekukama wakaringe nzira
204. Mombe yenjeni kutokama wakasungira
205. Moyo chena unobayisa
206. Moyo muti unomera paunoda
207. Mudzimu vakupa chironda vati nhunzi dzikudye
208. Muenzi haapedzi dura
209. Mugoni wepwere ndeasinayo
210. Mukwasha mukuyu haapere kudyiwa
211. Munhu akanaka haararame
212. Munhu haarerwi nebonde
213. Munhu kufamba kunenge kukavira nyimo, kutizira kuchinge kudyara nzungu, kucheuka
kukange kutsindire’shwa
214. Munhu akatsiga anozviganhura pakunwa hwahwa
215. Munongedzo hauzvinongedzi
216. Munyai mutumwa, muridzi wesoko ndiwe
217. Muonerapamwe chuma yemuzukuru
218. Muramba kukombwa muramba hweni
219. Murombo haarovi chine nguo
220. Murombo munhu
221. Muromo chipfukuto unopedza matura
222. Muromo haupi chinopa maoko
223. Muroyi munhu kubayiwa anochemawo
224. Muroyi royera kure ugowana anokuviga
225. Musanyengerera makudo neanokamhina
226. Musha mukadzi
227. Muto wetsenza ndiwo mumwe
228. Mutsa worutsoka kuperekedza ziso
229. Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo
230. Mviromviro yemhanza inotanga shosha
231. Mviromviro yemhanza mapfeka
232. Mvura inoera usinayo
233. Mwana asingachemi anofira mumbereko
234. Mwana muduku kubvuma rwendo rwake ruri mberi
235. Mwana washe muranda kumwe
236. Mwana washe ndishewo, womuranda anochemberera muuranda
237. Mwana wengwe mwana wengwe kuona chikara haatizi
238. Mwana wenyoka inyoka
239. Mwoyochena weyi bere kugarira munhu akafa
240. N’ai kwadzo ndedzomucheche dzomukuru dzinoreva kudya
241. Ndakaziva haitingamire
242. Ndakazvida haichemedzi
243. Nerimwe zuva gava richadimbura musungo
244. Nhaka mbuya ndeyemombe yemunhu inovhionera
245. Nhamo inenge yefodya inoti uku yakarumwa uku inotsva
246. Nhamo inhamo zvayo amai havaroodzwi
247. Nhamo yomumwe hairambirwi sadza
248. Nhasi chineni mangwana chinewe
249. Nhasi ndini mangwana ndiwe
250. Nhenha isibi inoroya
251. Nherera inoguta musi wafa mai
252. Nhonhongora kudya chayo kukumbirirei uchi kudondi
253. Njera yomusaririra ndiyo yeshiri
254. Nyadzi dzinokunda rufu
255. Nzanga inokura yerema yomuchenjeri inoparara
256. Nzanga seka dumba, dumba seka nzanga
257. Nzira masanga
258. Nzombe huru yakabva mukurerwa
259. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo
260. Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori
261. Onde kutsvuka kunze mukati rizere masvosve
262. Pabva zino rave vende
263. Pachapwa madziva miramba tichanyurura
264. Pagara murimi pagara mupopoti
265. Pakukutu hapaurayi
266. Pane danga pane mombe pane hundi pagara hurudza
267. Panoda mwoyo nzira haisviki
268. Panodya ishe varanda vanodyawo
269. Panomera muswe panonyeredza
270. Pasina nyimo makunguo aizodyei
271. Pfini yenyoka kuruma chaisingadyi
272. Potsi haarwirwi anorwirwa ndiPiri
273. Rambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma
274. Raramo idivakamwe
275. Rega kutsindira mwena unobuda ishwa
276. Rega kuyera nyoka negavi iyo iripo
277. Regai dzive huku mazai haana muto
278. Rina manyanga hariputirwi mumushunje
279. Rinonyenga rinohwarara rinozosimudza musoro rawana
280. Rombe ngerichaenda rodzoka ndimambo
281. Rombe pakata hana mukaka ndowavaridzi
282. Rombe rinosekwa richaenda kana rodzoka, hedzo nhureture
283. Roro kutsvuka kunze mukati rizere masvosve
284. Rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo
285. Rwizi rukuru madirano
286. Rwomuranda rwakoneswa norwashe, rwashe rwakoneswa nemvura kunaya
287. Shambakodzi yakarindwa haiviri
288. Shungu dzembwa dziri mumwoyo kuhukura ndiko kududza
289. Soko harivhikwi
290. Takabva neko kumhunga hakuna’pwa
291. Tambe tambe vanoda varivo
292. Taramuka panotamba dera
293. Tenda muchero ugowisa
294. Tenda muchero wadya zvinogadza mwoyo
295. Tenda wakohwa zvemunda wezunde
296. Tichaona kunowira tswimbo nedohwe
297. Totenda dzanwa mombe dzaswera nebenzi
298. Totenda maruva tadya chakata
299. Totenda nyemba tanwira mvura
300. Totenda yabikwa imba yepwere
301. Totenda yavira tsambakodzi yedemhe
302. Tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi
303. Tsenzi igara yadyiwa
304. Tsiru nzenzi manhenda waikama
305. Tsuro haipunyuki rutsva kaviri
306. Tsuro kotsa muromo
307. Tsvaru akadana tivu
308. Tsvimborume kutandara nemvana mwoyo uri kumhandara
309. Tswanda inorema yasvika
310. Twemudenhe tune ushorwi
311. Ubatebate hunourayisa
312. Ugaro mwena kutevedza hunoguma
313. Ukadzinga tsuro mbiri imwe inopunyuka
314. Ukama hahusukwi nemvura hukabva
315. Ukama hunonhuhwa
316. Ukama igasva hunozadziswa nokudya
317. Ukama urimbo kudambura haubvi
318. Ukangosekerera hwiza mangwana dzinokudyira muriwo
319. Ukanzwa bofu richiti ndinokurova pane cherakatsika/ parakazendama
320. Ukaravidza chembere nyama inofira musango
321. Ukuru hurema hahuvanzwi
322. Umambo hutambidzwana
323. Umba hwehosi husina marevere
324. Umhandara idambakamwe
325. Unaki hwemukadzi huri pamwana
326. Upenyu hwenungo irima
327. Upenyu imhindupindu
328. Upfumi idova hautani kupera
329. Ura mapako hunozvara mbava nemuroyi,
330. Urombo hune nherera kudya ikarutsa,
331. Urombo hwayo mhembwe kufa iri pamusungo
332. Urombo hwenherera kupakwa ichirutsa,
333. Urombo uroyi hauudzwi munhu
334. Urombo hwematede kunaiwa nemvura makurwe ari mumhatso
335. Usachenjedza n’anga kurapwa uchada
336. Usadzinganisa tsuro nemunyu muchanza
337. Usaguta ukasunda dura
338. Usakangira nyimo vane meno avo havo
339. Usakurumidza kumedza kutsenga uchada
340. Usakusha mbeu mvura yaenda
341. Usaona imbwa kunyenama ukati unokusekerera
342. Usapedzera tsvimbo kuna vanamakuwe idzo hanga dzichauya
343. Usapinza munwe mumwena unobuda wareba
344. Usaruka nhava sora ratsva
345. Usarume muromo wenzombe inopura zviyo
346. Usashore nyemba nedzinozvimbira
347. Usatamba nematope pasina mvura
348. Usatanda hwiza idzo tsuro dzichauya
349. Usatsvaga nhava muuswa iro sora ratsva
350. Usavaka danga pasina mombe
351. Usaverenga mbeva nemudune
352. Ushe hauzvitongi
353. Ushe hukokwa, hunotokokwa kune vamwe
354. Ushe hunonyanga dera
355. Ushe hunonyangira rema
356. Ushe husiirwana
357. Ushe idova hunoparara
358. Ushe imhute hunoparara zuva rabuda
359. Ushe madzoro hunoravanwa
360. Ushe muzhanje unokuva
361. Ushe vuranda
362. Usiku humwe hauodzi nyemba
363. Usiku igore
364. Uswa hwenyati dohuri mudumbu huri pamuromo inofa nahwo
365. Utsi hwenyama hautosvori
366. Utsva hworurimi hahuna marapiro
367. Uzivi wenzira huri mugumbo
368. Vadani ndivo vakani
369. Vagere pachavo vangonyinda
370. Vakachenjera havatsvairani mbeva
371. Vakadyara tsvina vachakohwa hundi muchamupupuri
372. Vakafa havana

You might also like