Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 6

WONDERS CHRISTIAN JUNIOR COLLEGE

GRADE 3
END OF TERM 3 2023
shona
PAPER 1

VERENGA UGOPINDURA MIBVUNZO ZVAKANAKA


Amai Gumbo vane vana vavo vaviri. Tadiwa dangwe achiteverwa naRudo.
Tadiwa ane makore masere. Rudo ane mashanu. Tadiwa ari murugwaro
rwechitatu.

1. Amai Gumbo vane vana vangani?


A] vana B] vatatu C] umwe D] vaviri
2. Mwana wavo wekutanga anonzi…………..
A] Tadiwa B] Rudo C] dangwe D] gotwe
3. Mwana wavo wekupedzisira ndi……………..
A] Rudo B] Tadiwa C] gotwe D] dangwe
4. Tadiwa naRudo vaive vakasiyana nemakore mangani?
A] maviri B] matatu C] mashanu D] masere
5. Tadiwa aiva murugwaro rwechingani?
A] rwechipiri B] rwechina C] rwechitatu D]
rwekutanga
6. Tadiwa gore rinouya anenge ave murugwaro rwechingani?
A] rwepiri B] rwetatu C] rwechina D] rweshanu
7. Mwana wekutanga mumhuri anonzi …………….
A] Tadiwa B] Rudo C] dangwe D]gotwe
8. Mwana wekupedzisira mumhuri anonzi………….
A] dangwe B] gotwe C] Tadiwa D] Rudo

1|Page
PEDZISA TSUMO IDZI
9. Kandiro kanopfumba kunobva ………….
A] kamwe B] ini C] iwe D] vamwe
10. Zano ndoga akasiya …………….mumasese.
A] muti B] hohwa C] chari D] jira
11. Aiva mazdiva ava ………………
A] mazambuko B] madhamu C] mabhiriji D]
mapani
12. Ndambakuudzwa akaonekwa ………….pahuma.
A] nenyama B] nenhamo C] nehope D]
nembonje

DUDZIRA MADIMIKIRA AYA


13. Ane ruoko rurefu …………
A] anoruta B] anoba C] ane ruchiva D] anoroya
14. Akafuga rake ega.
A] akafa B] akarwara C] akaenda D]
anotamba
15. Anotesnga mvura
A] anodada B] anopenga C] anorwara D]
anoba

PEDZISA SEKUTAURA KWEDU


16. Ane man’a se ………………
A] hanga B] dohwe C] kamba D] tsuro
17. Anotuhwina se
A] danda B] gora C] gudo D] chidembo
VERENGA NDIMA INOTEVERA UPINDURE MIBVUNZO
2|Page
VaDamba vaiva murume murefu vari vatsvuku. Vaiva hurudza chaiyo. Gore
negore vaikohwa mbesa dzaishamisa vanhu vazhinji. vaDamba vaiva
nevana vatatu, mukomana umwe nevasikana vaviri. Mukomana ainzi
Tavonga ndiye aiva wekutanga. Sakina aiva mwana wepiri kwopedzisira
Ruvimbo. Mai Damba vaisada zvokurima asi kuumba hari. Vaiva nyanzvi
chaiyo pakugadzira tsambakodzi zvirongo nehadyana. VaDamba vaiva
mhizha chaiyo.

18. Hurudza zvinorevei?


A] nyanzvi yokuredza B] shasha yokuba C] nyanzvi
yokuvhima
D] nyanzvi yokurima
19. VaDamba vaiva nevana vangani?
A] vaviri B] vashanu C] vatatu D] vasere
20. VaDamba vaiva nevana sikana vangani?
A] vana B] vaviri C] vashanu D]
vanomwe
21. Ndehupi hukama hwaiva pakati paTavonga na Sakina.
A] hanzvadzi nehanzvadzi B] sekuru nemuzukuru C] baba
nemwana
D] mukomana nemusikana
22. Chii chaifarira mai Damba?
A] kurima B] kuumba hari C] kuvhima D] kudya
23. Munhu anoumba hari anonzi chii?
A] hurudza B] hadyana C] mhizha D] tsosti
24. Hari yokubikira sadza inonzii?
A] hadyana B] chirongo C] tsambakodzi D]
chirongo

SARUDZA NYAUDZOSINGWI YAKAKODZERA KUZADZISA NAYO


25. Panashe akaona madomasi akatsvuka kuti ……………

3|Page
A] ndoo B] piriviri C] tsvuke D] mhoo
26. Mubako Makati …………kusviba.
A] ndoo B] tete C] nyaa D]
nyamwi
27. Mbavha yakarohwa kuti ……………..
A] mbee B] dhii C] bhagu D] buu

NDERIPI IZWI RINOPIKISANA NERAKATARWA


28. Rumbi musikana mutema
A] murefu B] mutsvuku C] mupfupi D] mudodo
29. Mapudzi aya mashoma
A] matema B]mairi C] matatu D] akawanda
30. Harahwa inofamba nemudonzvo.
A] vakuru B] vadhara C] chembere D] vakweguru

VERENGA NDIMA INOTEVERA UPINDURE MIBVUNZO


Shamwari yaTendai Taguma akabva kumombe achirwara nemusi
weMugovera. Vana Tendai vakafinga kuti zvimwe kuyema zvake Taguma asi
mudumbu make mairwadza chaizvo. Tendai akaperekedza Taguma kumba
kwavo.

Ava manheru mudumbu maTaguma makanyanya kurwadza. Baba vake


vakafunga zvokudaidza n’anga kuti ione kuti chii chairwadza Taguma.
Kwakauya godobori aiziva kushopera zvikuru. N’anga yakaudza VaTadi kuti
vabike hwahwa hwokutenda mudzimu yavo yaivachengeta. Taguma akapiwa
muti akatsenga. Mudumbu make makabva mapora. Mhuri yaVaTadi yakabika
doro rokutenda vadzimu. Vakauraya mbudzi mbiri nehuku ina kuti vanhu
vadye vachifara.

31. Taguma akaenda kumombe musi wechingani?


A] muvhuro B] Mugovera C] china D] chitatu
4|Page
32. Taguma akapiwa muti. Muti chii?
A] mushonga B] doro C] nyama D] mbudzi
33. Nderipi shoko ratingapa kumbudzi nehuku?
A] nyama B] chimukuyu C] mhuka D] zvipfuyo
34. Godobori zvinoreva …………..
A] n’anga B] VaTadi C] Taguma D] Tendai
35. Shoko rinoreva kubvunzira kun’anga ndi…………..
A] godobori B] kupira C] kushopera D] doro

TINOTI KUDIIKO?
36. Muriwo wakaomeswa unonzi ………….
A] dovi B] mufushwa C] derere D] nyama
37. Kana tapedza kudya tinotenda tichiti
A] Hamugone kubika B] maita zvenyu C] mhoro D] chisarai

ISA MAZWI AYA KUUZHINJI


38. Tsvina …………
A] tsvina B] matsvina C] tutsvina D] mazitsvina
39. Churu ……………
A] choto B] zvuru C] zvara D] zvoto
40. Gumbo ……………
A] mazikumbo B] makumbo C] tukumbo D]
tumiti

5|Page
6|Page

You might also like