Download as rtf, pdf, or txt
Download as rtf, pdf, or txt
You are on page 1of 9

GODATHER HOME OF STORIES

PRESENT

THE INTELLIGENT TWINS SERIES

SEASON 1

CHAPTER 1 /50

STORY BY MALVERN NDLOVU

Notice everyone : This book is based in crime and drama please note the book is not edited.Book iri
richava ne SEASON 1 kusvika Season 15 .Every Season ine ma chapter 50 pa season . Ndiyo projecy yedu
ye gore rinio rese as Godfather home of stories this year . Enjoy the reading and be safe .Book iri
richavuya everyday kusvika rapera .

#CRIME AND DRAMA

Somewhere in Zimbabwe
Madzibaba ''Amai imwi muri kuenda kupi musina kuyereswa ?''

Tsitsi ''Ndanguri ndavuya madzibaba handisi kunzwa mushe saka ndava kuda hangu kuenda kumba
kunozorora ''.

Madzibaba ''Nhawu yenyu yakuvunzai ndiyo futi yava kukupai nungo kuti mudzokere and nhawu yenyu
yakakurisa amai ndavona maparara zvisina achaziva ,nhawu yenyu ihombe kwandiri ini Joshuwa asi
kuna baba kudenga inhawu diki diki inoda kuti ini nemwi titambe dzoro yedu .Mukaita zvuinodiwa
ndavona gomba riri mberi kwenyu rambomira .Asi mugarega ndavona muvhuchirwa .Nhawu
yekurambwa na Baba ve mimba yamunawo hazvina basa musazvivuraya amai mwari ndiye anoziva regai
vana vave panyika ''.

Tsitsi ''Nhawu ya muri kutaura ndiri kuinzwa ishe wangu asi nhawu yacho yakaoma kuti ndivudze hama
dzangu zvonetsa sezvo ndakambotsiurwa ne kufambidzana ne mukomana azoramba mimba iyi saka
ndikufunga kuti kuzvivuraya kuri nani apa mimba yacho iri kurwadza zvisingaiti ,Ndiri kufungidzira kuti
maybe pane vanhu vakutamba bhora mudumbu rangu saka ndava kutya kuti maybe mukomana we
mimba iyi sezvo kurudzi rwavo kune miti maybe pane zvakuita ''.

Madzibaba 'Muri kufunga kuti makasenga chikwambo ,kwete amai makasenga makomborero inzwa ka
makomborero hasi nyore kusenga mutoro amai .Ndiri kuvona vana 1,2,3 mudumbu renyu asi vana ava
ndavaona vari chipo chinobva kuna mwari .Kana mwari akakuchenetaiamai ndavona mafara nazvo ''.
Tsitsi '' Zviri munzeve ishe saka manje ndodii ne kuti ndiri kurwadziwa ma doctors akuti mimba iyi
inogona kundivuraya ndikaita zvekutamba ?''

Madzibaba ''Hongu mimba ine simba iyi imwi muchiri mwana honai plus imimba yekutanga saka imwi
musatya kuna mwari kudenga ndiye muchengeti .Inzwai madzimai vese vari pano ndine nhawu
yandatumwa ne ne denga kuti ndikuvudzei pamusoro pekubata pamuviri mukomana
oramba .Chekutanga usafa wakafunga kuzvivuraya .chepiri usafunga kubvisa mimba regai tive shiri
mazai hana muto .Mwana chipo chinobva kuna mwari .Imwi vabereki zvimwe tambirai muzukuru
ndewenyu . Sakamadzima Tsitsi torai nhobo nhatu mumbiya iyi torai mvura iyi inobva mugungwa
idziisei kwema zuva matatu munwe .Nhombo nhatu idzi torai imwe chete nongedzai kwamabva
nongedzai kumabuda zuva katatu kana madaro morasha nhombo iyoy munzira mava kuenda kumba.
Imwe nhombo isamuvhura yekunwa imwe ye tatu gezai nayo zuva rimwe chete morasa mvura yacho
kunze kwe yard yenyu ''.

Tsitsi ''Ndinotenda ishe ndichaita sekudaro ndotenda ''.

Madzibaba '' Amen denga rine nyasha amai mofamba nerugare ''.

Tsitsi akabva abuda zvake pamasowe .Pamba pake paiva zvapo pedo ne church sezvo ayigara
kwekupedzisira .Akabva ayita zvaakanga avunzwa na madzibaba ndokuenda zvake kumba .Tsitsi akanga
ane shamwari yake yaigara mkoba 16 iye Tsitsi ayigara mkoba 20 mu gweu .Akabva afonera shamwari
yake kuti ivuye kuzotandara ...
Pasina nguva zveshuwa Natasha shamwari ya Tsitsi yakabva yasvika ne favorite food ya Tsitsi .....

Tsitsi ''Wow best apa wagona waita kunyumwa ndizvo zvandiri kuda kudya nhasi ''.

Natasha ''I know you best saka usatya zvako ''.

Tsitsi ''Yaa ! best ndine nyaya yandakudanira pano ''.

Natasha ''Ok hapana kuipa sahwira i'm here for you talk ''.

Tsitsi '' Natasha uri friend yangu kubva my parent angu ari mapenyu it's 15 years now tiri tese so i trust
you sahwira .Ndoda kuti umire neni kusvika vana vangu vavakugonavo kutaura .So promise me kuti kana
pane zvaitika unokwanisa kusara ne vana vangu kunge vako ''.

Natasha ''Best mashoko ako ava kubva kupi futi ?''


Tsitsi ''I'm just saying we never know kuti mangwana rakadii ,spo please promise me kuti uchava mai ve
mwana wangu ''.

Natasha ''I promise sahwira ndichamira ne mwana wako nde wangui know hauna hama dzinokuda
ndichamuchengeta ''.

Tsitsi ''Ok kana wazoshaya mari yekuti ayende kuchikoro tengesa imba ino ndofunga kuti anobetsereka '.

Natasha ''Don't worry you know kuti my parent ari kuchando so haisi problem but ngatiisiye nyaya iyi ne
kuti you will leave kusvika wavona vazukuru vako ''.

Tsitsi ''Hahaha i wish kuti zviitike but zviroto zviroto ''.

Natasha ''Stop it kutya mimba uku ngatitaure dzimwe nyaya you know kuti idzi handidzifariri kana kuti
hande kunoita shopping kutengera mwana machira ''.
Tsitsi '' Ndikunzwa hwusimbe ini ndoda kuzorora zvangu ''.

Natasha ''Hande kani best plus hausi kufamba ne tsoka toenda ne mota yako kana yangu ''.

Tsitsi ''Ok rega ndichinje tiende asi zuva ratokwira todzoka hwusiku chete '',

Natasha ''Don't worry tine mota rimember ''.

Vakabva vabuda zvavo ndokupinda mu Gweru mu town kuma around 1 masikati .Vakabva vatanga
kutenga tenga zvavo sezvo Natasha ayibva ku family ine mari akabva abisa hake mari yake .So vari mu
shop vachida kubuda Natasha akabva adhumana ne this person akanga akanaka .The guy akabva
akumbirira ruregerero so Natasha sezvo akanga atovhiringwa ofungwa akabva akurumidza kudavira
ndokuti hazvina basa .Vakakotama vachinonga ma coin akanga adonha pasi then the guy said ........

Tinashe ''I'm deeply sorry ndanga ndakarivara ''.

Natasha ''No problem zvinowanikwa nothing personal ''.


Tinashe ''Ok i'm Tinashe i leave in Harare i just visited here ''.

Natasha ''Ok nice name rakakufita ,i'm Natasha but meet Tsitsi my friend ''.

Tinashe ''Ndafara ne kukuzivai can i have your number so that we can go for a date ''.

Natasha ''Oh no problem ''.

Natasha akabva amupa number dzake vakabva vaenda zvavo .The guy was happy kuti zvake zvaita sezvo
Natasha ayiva akanaka .Tsitsi na Natasha vakabva vaenda kunombodya ipapo zuva rakanga rava kuvira
ipapo ....

Tsitsi ''Wow it was fast back there ''.

Natasha ''Yoo that guy ndanzwa ropa rangu kumhanya same time haa ndavona kuti ndikada kupapa
sezvandoita ndofa ndiri single ''.
Tsitsi ''Remember youre 20 like me saka hapana chekutya apa ''.

Natasha ''Don't worry zvako iwe now wakamaka vakomana that's why ''.

Tsitsi ''Zvisingaiti dai adhuma ini ndaimupa zimbama rekuti chero naiye harikanganwi ''.

Natasha ''Hahaha best saka unenge wava kumuroverei manje ?''

Tsitsi ''Because ndivo vanoita basa ekutimitisa voramba futi haa ndadzimaka mhuka idzi ''.

Natasha ''Hahaha iwewe unonakidza shame best vanhu havafanani you will see mukomana wako achida
kudzoka ''.

Tsitsi ''Ndomutenda ndozomuopisa ne mafuta kana arara ''.


Natasha ''Hahaha haa ndava bho iwe unotaurisa shame chihande zuva ratovira totanga kuenda kumba
kwangu pane zvandikuda kutora ''.

Vakabva vasimuka zvavo ndokuenda mumota ndokudzokera zvavo ku mkoba

End of chapter

+27656275124

You might also like