Download as doc, pdf, or txt
Download as doc, pdf, or txt
You are on page 1of 3

Wednesday, May 24, 2017

at May 24, 2017 SEKURU NAVAZUKURU MUDARE

SEKURU NAVAZUKURU MUDARE

“Regai ndikuudzei vazukuru zvataiitawo paudiki hwedu, zvikuru sei mitambo yataitamba tichiri
pamazera enyu aya.” Vakadaro sekuru vachigumhanisa zvitsiga zvomoto zvakanga zvopwitititsa chiutsi
mudare. Twumisodzi twaionekwa kuyangarara mumaziso avo akanga akazara maranga aisapera
muswere wose wezuva. Vakanga voonera pedyo, zviri kure vongoona madzerere. Ganda ravo rakanga
rakakwa netukoronga, raunyana nekusvava semasau anikidzwa pazuva. Pfupa ravo raikuudza wangovati
ba-a kuti apa paiva nezvehwitakwi yerume, hamburamakaka chaiyo. Izwi ravo raiva rashoshoma
richinzwikwa mazhwarara pakutaura sevakagarwa nechikararwa pahuro.

Sekuru vakanga vavaka dare ravo necheseri kwemba yokubikira kuri kumabvirazuva kwemusha wedu.
Takanga tatanga kugara navo makore mashanu apfuura pakashaya mbuya vedu mudzimai wavo vanova
mai vababa vedu. Dare iri vakanga varivaka mazuva atatanga kugara navo vachiti hazvaibvumidzwa kuti
murume agare mumba yokubikira, zvinopa utera nokukara, uye vaiti hazvaibvira kuti varindire muroora
wavo vanova amai vedu vachibika mazuva ose. Imomu mudare iri ndimo matakanga takati chechetere
ini nefurere ravanin’ina vangu tiri mhiri kwechiveso. Zuva iri takanga takurumidza kudya
ndokukurumidzawo kuenda kuna sekuru kuti vatiudze ngano semazuva ose. Taigara mudare umu
manheru oga-oga tichiudzwa ngano nenyaya dzechinyakare nasekuru. Mudare umu maigara isu
vazukurukomana chete. Hanzvadzi dzedu dzainzi endai mundobatsira vana mai kubika nokusuka
migoti.Mazuva aya takanga tauya kumusha tiri dungwe revazukuru rakati rongondo tichibva kudhorobha
kwataigara sezvo raiva zororo guru rekisimusi.

Ini nefurere ravanin’ina vangu takanga tachiti zvino kwaka samakwari aona gondo tiri kune rumwe rutivi
rwechoto. Sekuru vakanga vakagara kune rumwe rutivi rwechoto takatarisana navo. Vakanga vakagara
pachituro chavo chedanda chakanga chakavezwa zvakaisvonaka, chichitsvedzerera. Sekuru vakatsvaira
chikararwa chaiva pahuro pavo vakachisvipira muchiveso. Vakakura dota ndokuchifusira naro. Vapedza
vakazendama namadziro ndokutura befu vachibva vapfuurira zvavo mberi nokutsanangura nyaya yavo.
“Zvamunoona vazukuru, chinokura chinokotama musoro wegudo chava chonokoro cheupfu. Ndaivawo
chikomana chakakura chiri chivhindikiti. Takakura tichifudza mombe kwete zvenyu mongoswera
muchiokera terevhizheni nekutsvaira foni dzakazouya idzi. Wakamboionepi foni isina mabhatani
ekubaya, inongoita zvekutsvairwa? Hai ah! Chave chirungu chino.”

“Sevanakomana, taidzidziswa kufudza mombe nemamwe mabasa echirume kubva tichiri vadiki chaizvo.
Zvainzi murume anofanira kukura akasimba uye achigona kuita mabasa mazhinji kuti agogona kuriritira
mhuri yake mangwana. Taidzidziswa kutema huni; kupfirira dzimba; kuvaka matanga; kuvhima; kuredza
hove nekusunga madhonza emombe. Saka mukomana aikura asingagoni zvandataura izvi aitorwa
semukadzi kana mbwende. Zvino ini zvandataura zvose izvi ndakazvigona ndichiri mudiki chaizvo, ndaive
mhare chaiyo ndichitoverengwawo pane vamwe varume. Tisu varume vaiverengwa kwete zvamazuva
ano zvekungonyorwa pazvimbuzi. Pakati penyu pane anogona chimwe pane zvandataura here apo?”
Vakadaro sekuru vakandidzvokora mumaziso chaimo. Vakabvisa meso avo pandiri ndokuati dza-a
pamunin’ina wangu ainditevera. Vakapfuurira mberi vachienda nemazera edu kusvika pane
wekupedzisira patiri tose. Vaiita kunge vari kuona bhaisikopu patiri. Ipapo vakabva vaseka zvavo
kasetswa kaye kekutinzwira tsitsi vachidzungudza musoro segwaimani rapindwa nenhunzi munzeve.

“Regai yemabasa ichisiya matambo. Mungazoti nhasi sekuru vanesu, kwanga kuri kungokunyeurirai
mabasa aitarisirwa kugonekwa nemurume pasichigare. Regai zvino ndichikuradanururai mitambo
yataitambawo makore edu tichiri pamazera enyu aya. Taiti kana ava masikati taiwanzoenda kurwizi
kunobhaguja. Nyadzira rwamunoona ava majecha nhasi urwu rwaiva namadziva anotyisa. Maizvizivawo
here kuti madziva anotumidzwa mazita?”

“Aaaa! Anotumidzwa mazita?” Takabvunza pamwe chete sekwaya.

Ee-e! Kwaiva nedziva rokwaMavato, koita rokwaKondo kwozouya rainzi China nerimwe rainzi Chishanu.
Vaisagona kudhidha vaiberekwa nevamwe vonosiiwa pakadzika, waizobatsirwa nevamwe wambomwira
magopwe kana kuti zvikapu zviviri kana zvitatu. Taiitazve makwikwi pakubhaguja, uye taikwikwidzana
zvichienda nemabhagujiro. Bhangu, kunyurira nengege ndidzo dzimwe mhando dzemabhagujiro. Zvino
kudhidha hakwaibvumirwa kuvana vadiki nokuti vaizopindwa nemakonye anokonzera bhiraziya uye
vaizonyura vakafira mumvura. Saka vadiki vaingodhidha chete kana vabvumirwa uye pane vanhu vakuru
vanenge vachitarisa kuti muri kutambira mutudzivasingwi. Asi zvisinei, pwere dzine misikanzwa
dzainvenga dzichinobhaguja zvisina mvumo. Zvino imi ndikanzwa kuti maenda kunobhaguja kurwizi
ndinokugogodzai misoro iyoyo netsvimbo yangu iyi, mazvinzwa? “Hongu sekuru!” takapindura tese
takadzima.

“Zvakanaka. Kwaivazve nemutambo wetsoro. Tsoro dzataitamba dzaiva nemhando mbiri. Kwaiva
netsoro yemakomba, kozoti tsoro yedhafuta. Asi yedhafuta yakazouya pava paya.”

“Munoreva draft here sekuru?” Kakapindira kagotwe patiri tose kachiseka.

“Hongu ndiyoyo, chiteererazve unzwe mimwe mitambo yaivako. Kwaivazve nemutambo wekusika
nyimo, uyu taiwanzoutamba zuva rorereka kumapani mombe dzaguta. Zvino taizoti anenge akundwa
ndiye aienda kunodzora mombe. Isu vamwe zuva raindovira tisina kudzora. Taigona zvekare kurwisanisa
mombe. Taitambawo zvakare fombo netsiva, asi mutambo wetsiva hauna kunaka nekuti unokonzera
ruvengo mumana. Unokonzerawo mavanga pamwe nemweya weumhondi. Musagara muchirwa
vazukuru zvataiita isu kare.

Pakupedzisira, zuva ragara gomo toda kunotenhera zvipfuyo taitanga kutamba mhonjeka. Uyu mutambo
waitambwa nevakomana vati samhukei. Waiva mutambo waitambwa netsvimbo. Tsvimbo imwe
yaipotserwa mudenga, umwe neumwe ari muchikwata ovhiriritsa tsvimbo yake kuedza kunhemba
tsvimbo iya yakandwa mudenga. Anenge aitema ndiye anenge akunda. Tairamba tichidaro kusvika taona
ane zvibodzwa zvokukunda zvakawanda. Ko okotsira uyo ndiani? Ndakacheuka ndokuona munin’ina
wedu uye gotwe achiita kunge chitube chechiredzo chochonyera hove. Ipapo sekuru vakabva vati’
“Regai ndichikombera ndichiti iriko mitambo mizhinji yataitamba yaiita kuti tikure takagwinya asi ndava
kugumira pano nekuti munenge mava kuda kurara. Mangwana ndine ngano inofadza kwazvo, asi
ndinotanga nekubvunza mibvunzo pamusoro pezvandakutsanangurai nhasi. Kana musina kugona
handikuudzei ngano iyoyo. Toonana mangwana vazukuru.”

“Zvakanakai sekuru!” Takadavira tichisimuka toenda kunorara.

NaNyanduri Tafazwa Moyo

You might also like