Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 162

AUTHORISED FREE COPY

DO NOT SELL

N
O
T
FO
R
SA
LE
Gona ChiShona 1

Bhuku remudzidzisi
N
O
T
FO
R
SA
LE

Mungure F. T Murowe S
1515 Tourle Road, Ardbennie, Harare

CPS Gona ChiShona 1 - Bhuku remudzidzisi

© 2017
First published May 2017
ISBN: 978 0 7974 7326 3
Publisher: Mwazvita Patricia Madondo
N

Edited by: Sophia Gwakuka


O

Shelter E. Chimhau
John Sithole
T

Cover design: Masimba T. Madondo


FO

Cover artwork: Wisdom H. Tayengwa


Text and design layout: Wisdom H. Tayengwa
R

Printed by: DP Printmedia


SA

inopawo rutendo kune vadzidzisi vanotevera vakabatsira kuongorora gwaro rino:


Kufakunesu Mukwashi (Chaplin High), Kasbert Muchakazi (Maungwe High), Rose Munyari (Mutare Girls’ High)
naMaria Shadaya (Glen View 3 High).
LE

Every effort has been made to trace the copyright holders. In the event of unintentional omissions or errors, any information
that would enable the publisher to make the proper arrangements will be appreciated.

All rights reserved. No part of this publication may be reproduced, stored in a retrieval system, transmitted in any form or by
any means, electronic, mechanical, photocopying, recording or otherwise, without the written permission of the copyright
holder.
Zviri mukati

Chitsauko 1 Jechetere 1
Chitsauko 2 Nhaka yomusiiranwa: Nzvimbo dzokushanyira 5
Chitsauko 3 Shuramatongo 9
Chitsauko 4 Kudzivirira nekugadzirira ngwavaira 13
Chitsauko 5 Kodzero dzevana mumhuri 17
Chitsauko 6 Kukosha nekuchengetedzwa kwenharaunda 21
Chitsauko 7 Kushava 25
Chitsauko 8 Unyanzvi panyaya dzemari 29
Chitsauko 9 Zveutano pakuyaruka 33
Chitsauko 10 Kupindana kwetsika: Kupfimbana 37
Chitsauko 11 Kugadziriswa kwamakakatanwa 41
Chitsauko 12 Dandemutande rokufambisa mashoko noruzivo 45
Chitsauko 13 Dzokororo yekutanga 49
Chitsauko 14 Kuyaruka kwemwana: Unhu 51
Chitsauko 15 Kurima 55
Chitsauko 16 Ndufu 59
Chitsauko 17 Wanano 63
Chitsauko 18
Chitsauko 19
Chitsauko 20
NOT FOR SALE
Nhaka
Zvitendero
Ukama nemadzinza
67
71
75
Chitsauko 21 Zvieraera 79
Chitsauko 22 Nguva 83
Chitsauko 23 Utongi hwekumaruwa 87
Chitsauko 24 Bumbiro remitemo 91
Chitsauko 25 Hondo yerusununguko 95
Chitsauko 26 Dzokororo yechipiri 99
Chitsauko 27 Mushandirapamwe mumhuri 103
Chitsauko 28 Ngano 107
Chitsauko 29 Mitambo 111
Chitsauko 30 Nziyo 115
Chitsauko 31 Zvinodhaka 119
Chitsauko 32 Zvokudya 123
Chitsauko 33 Zvipfeko 127
Chitsauko 34 Midziyo yepamusha 131
Chitsauko 35 Uori neupfumi 135
Chitsauko 36 Kuchengetedza nguva 139
Chitsauko 37 Ushamwari 143
Chitsauko 38 Dzokororo yechitatu 147
Donzvo remudzidzisi
Nhungamidzo
Bumbiro rinoti ngakuve nezvidzidzo zvitanhatu zveChishona pasvondo roga roga. Gwaro rino
rakanyorwa richitevedzera izvozvo. Gwaro rino zvakare rinotora gore serine masvondo makumi
matatu nemasere (38) ekudzidza. Zvichireva izvo kuti kotoro mbiri dzekutanga dzakapiwa
zvidzidzo zvemasvondo gumi nematatu, kotoro yekupedzisira ikapiwawo zvidzidzo gumi
nezviviri. Pane zvidzidzo zvepakotoro, svondo rekupedzisira pakotoro yogayoga ibvunzo
dzedzokororo.

Marongerwo echikamu chogachoga


Kunotanga vavariro dzesvondo iroro, zvidzidzo zvozotevera.
Pachidzidzo chogachoga panopiwa:
- Zvinangwa
- Zvokushandisa
- Maitirwo echidzidzo

Sezvarehwa kumusoro kwatabva, gwaro rino rinotora svondo kuve nezvidzidzo zvitanhatu.
Zvidzidzo izvi zvakapatsanurwa nenzira inotevera inobatsira kuzadzikisa kudzidza kwevadzidzi
nenzira inotarisirwa nebumbiro redzidzo.

Chidzidzo 1: Ngatikurukurei
Muchidzidzo ichi mune nyaya inofanira kutaurwa nezvayo, kazhinji iri pamusoro peaya anonzi
ma’cross-cutting themes/issues’ anobata zvakawandawanda. Munokurukurwawo pamusoro
pemusoro wechidzidzo chesvondo iroro.

Chidzidzo 2: Ngativerengei

NOT FOR SALE


Mune ichi chidzidzo vadzidzi vanoverenga ndima yesvondo iroro inoenderana nedingindira
rechidzidzo chesvondo iroro. Vadzidzi vanopindurawo mibvunzo inobva mundima,
inosanganisira kunyora pfupiso yendima.

Chidzidzo 3: Ngatirungei mitauro


Muchidzidzo chino vadzidzi vanodzidziswa kushandisa zvirungamutauro mukunyora kana
mukutaura, zvakafanana netsumo, madimikira, nyaudzosingwi, fananidzo neenzaniso, misambo,
nezvimwewo zvinoita kuti mutauro utapire.

Chidzidzo 4: Ngatiumbei mitauro


Muchidzidzo ichi vadzidzi vanodzidziswa kuumba mazita, zvirevamwene, zviverengo,
zvisazitasingwi nezvimwewo zvinoita kuti vagone kutaura mutauro weChiShona wakanaka.

Chidzidzo 5: Ngatinyorei/Ngatishangazhikei pakunyora


Mune ichi chidzidzo vadzidzi vanopiwa nguva yakakwana yekunyora mhando dzerondedzero
dzakasiyana dzinoti tsanangudzo, nhetembo, nhaurirano, tsamba nezvimwewo. Muchidzidzo ichi
vadzidzi vanowana mukana wekushangazhika pakunyora.

Chidzidzo 6: Ngatitsvakurudzei/ Ngatitsanangurei


Muchidzidzo ichi vadzidzi vanodzidza kuita vhendenyuro kana tsvakurudzo inovapa hutesve
hwekunzwisisa dingindira ravanenge vachidzidza svondo iroro.

Dzimwe nguva zvidzidzo izvi hazvipiwi nenzira imwe chete iyi, asi zvinoenderana nekuti
chidzidzo chiri kududunurwa sei nenzira inoita kuti mudzidzi anzwisise.

Mukati mezvidzidzo zvese izvi, vadzidzi vanogona kupiwa basa rekunoita kumba setsvakurudzo
pamusoro pezvakasiyana-siyana.

Nakirwai nekushandisa gwaro rino!!!


Chitsauko
1
Jechetere
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kunzwisisa kuti jechetere chii, uye kuti charisiri chii
b) kuzivawo kuti nyaya yejechetere iyi inovabatawo sei
c) kuziva kuti zvii zvavangaitewo kusimudzira jechetere muZimbabwe
d) kuziva kuti senyika, tave papi panyaya iyi
e) kuziva nekushandisa madimikira anoenderana nenhengo dzemuviri
f) kuziva chinonzi zita

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino,vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti jechetere chii
b) kudoma nzira dzinoratidza kuti pamusha pane jechetere kana kuti hapana
c) kutsanangura kuti senyika, tiri papi panyaya iyi nezvikonzero zvacho
Zvombo zvingashandiswa
• mapepanhau ane nyaya dzinobata zvejechetere

Maitirwo echidzidzoNOT FOR SALE


• bhambiri rine mufananidzo une uwandu hwevakomana nevasikana vari pachikoro chino

1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekunoita vhendenyuro mumapepanhau ane nyaya dzinobata


zvejechetere hurukuro iyi isati yaitwa.
2. Mudzidzisi anopa vadzidzi mukana wekutaura pfungwa dzavo nekuvagadzirisa pavanenge
varasika.
3. Vadzidzi vanotsanangura mamiriro euwandu hwevakomana nevasikana vari pachikoro pavo
nevari kuita zvidzidzo zvepamusoro vachishandisa zvakapiwa pabhambiri.
4. Mudzidzisi anozopeta chidzidzo nekupawo pfungwa dzake pamwe nezvaakawanawo mutsvakurudzo
yake.

Mudzidzisi ngaaone kuti zvinangwa zvinotevera zvazadzikiswa muhurukuro ichaitwa.


1. Vadzidzi ngavazive kuti jechetere chii, kwete kugamuchira zvese zvavanonzwa.
2. Ngazvibude pachena kuti nyaya yejechetere yakambotanga sei. Zvii zvakanga zvisina kuenzana
zvaida kugadziriswa?
3. Ngazvijeke kuti jechetere harisi revanhukadzi chete asi rinobatawo vanhurume. Kunyange iri
pfungwa yakatangira kunyika dzakabudirira, vagari vemuAfrica vakaionawo yakakosha.
4. Inzwaiwo nyaya dzinobva kuvadzidzi muchiutora semukana wekuvapa dzidziso inovabatsira
kuwana chiedza panyaya iyi.
5. Apa nyaya yemikana inopihwa vana ngaikurukurwe chaizvo, igobatsira kujekesa kuti senyika
yeZimbabwe tave pari nani chose kana pari panyaya dzekupa vana mikana yekuenda kuchikoro.

1
2. Ngativerengei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyurura zviri mundima zvinoratidza jechetere kana kushaikwa kwaro
b) kudoma mabasa anowanza kunzi aya ndeevasikana kana vakomana
c) kutsanangura kukosha kwevabereki nevachengeti vevana mukusimudzirwa kwejechetere
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine uwandu hwevasikana nevakomana vari kudzidza kuzvikoro zvezvidzidzo
zvepamusoro zvakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanotsanangura uwandu hwevasikana nevakomana vari kudzidza kuzvikoro zvezvidzidzo
zvepamusoro zvakapiwa pabhambiri vachiburitsa kukosha kwejechetere.
2. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekunoverenga ndima iyi panguva yavo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro penyaya dzejechetere dzavanoona mundima.
4. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. VaChipamba vaive vakarara (1)
2. Vaive vaunzwa kuti vatandadze ambuya vavo, avo vainge vosurukirwa vari vega. (1)
3. Ainge otya ambuya vake avo vaaiziva kuti havadi zvisina basa. (1)
4. Bopoto nahondo. (2)
5. Paukama, mwanakomana wehanzvadzi yaamai ndisekuru. (2)
6. Vakange voziva hunhu hwevazukuru vavo. (1)

NOT FOR SALE


7. Vaida kuti vabudirire, uye vaiti munhu aifanira kungogona zvese sezvo ramangwana raive
risina anoziva. (2)
8. Kubudirira muchikoro uye kugona mamwe mabasa epamba. (2)
9. Vese vari vaviri vakapihwa mukana wekuenda kuchikoro uyewo vaisasiyanisa kuti basa rakati
rinoitwa nanhingi, rakati nanhingi. (2)
10. a) Munzvimbo yavaigara
b) Vaitomborovana.
c) Kufambisa, munhu achitoita sewoda kumhanya (6)

3 Ngatinyorei
Pfupiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvinotevedzwa pakunyora pfupiso
b) kubura pfungwa huru dzinoumba pfupiso
c) kunyora pfupiso yendima yeKugadzirira kuenda kuchikoro nemazwi anosvika makumi mashanu
Zvombo zvingashandiswa
• ndima iri mubhuku revadzidzi
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzi anotsanangura nyaya nepapfupi.
2. Vadzidzi vanoverenga nekunzwisisa ndima yakapihwa.
3. Vadzidzi vanobura pfungwa huru dzaburitswa mundima kuchitevedzwa zvose zvadzidziswa
pamusoro pekunyora pfupiso.

2
4. Vadzidzi vanonyora pfupiso yendima yeGonarezhou vachinyatsokwenenzvera kusvika pasara
mazwi makumi mashanu.
Mhinduro
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa:
- Kuunzwa kwevazukuru kuti vazotandadza mbuya
- Kumutswa kwaVaChipamba nekuChemedzana kwaSimba naMucha
- Kunyaradzwa kwebopoto
- Mitemo yaVaChipamba
- Kuramba kutumwa kwaMucha
- Shuviro yaVaChipamba pavazukuru vavo
- kuenda kwevazukuru kuchikoro
- kubata basa repamba kwaVaChipamba
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

Cherechedzo: Vadzidzi ngavapiwe rugwaro rwokunyora mhinduro dzavo nezvirevo zvakanaka

4. Ngatiumbei mutauro
Mazita
Zvinangwa
NOT FOR SALE
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti zita chii
b) kunyurura mazita kubva mundima
Zvombo zvingashandiswa
• ndima ine mazita
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi nagaatsanangure nepapfupi chinonzi zita.
2. Vadzidzi vanoverenga ndima yakapiwa vonyururura mazita.
3. Vadzidzi ngavanyore basa iri panguva yechidzidzo.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvemazita aya mushure mekukwenywa kwebasa.
Mhinduro
Mazita ari mundima anodarika makumi matatu asi vadzidzi vanotarisirwa kunyora gumi chete,
Mamwe acho ndeaya.
VaChipamba mhere muimba hondo Muchaneta
Simbarashe kuchikoro zvibhakera munhu ambuya
pamusha mwana

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Kunyora nhetembo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mhando dzenhetembo

3
b) kutsanangura zvidavado zvinoshandiswa munhetembo
c) kunyora nhetembo dzavo
Zvombo zvingashandiswa
• mabhuku enhetembo
• homwe dzokuchengetera zvinyorwa
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoverenga nhetembo dzakati kuti mumabhuku enhetembo chinyararire.
2. Vadzidzi vanokurukura vachiburitsa zvidavado zvabva munhetembo dzavaverenga.
3. Vadzidzi vanonyora nhetembo dzavo.

Mudzidzisi ngaakurudzire vadzidzi kuti varambe vaine chidokwa-dokwa chekunyora. Vadzidzi


ngavave nehomwe dzavachange vachichengetera zvinyorwa zvavo.

6. Ngatitsanangurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvavari kuona muchirongwa
b) kutsanangura kuti zvavari kuona zvinorevei maererano nejechetere
Zvombo zvingashandiswa
• nyaya dzemumapepanhau
• bhambiri rinoratidza huwandu hwevadzidzi vari pachikoro chenyu
Maitirwo echidzidzo

NOT FOR SALE


1. Vadzidzi ngavaverenge nyaya mumapepanhau kuwedzera ruzivo rwejechetere.
2. Vadzidzi ngavaite basa iri vari mumapoka.
3. Mudzidzisi ngavatungamire hurukuro ichaitwa mushure mekunge mapoka apakura zvaainazvo.
Mhinduro
Ongororo yechirongwa ichi ngaibate nyaya dzejechetere, zvikuru panyaya yeuwandu hwevasikana
vari kusvika padanho rechitanhatu tichienzanisa nevakomana. Vadzidzi ngavaedze kupa zvikonzero
zvekutsanangura zvinenge zvabuda paongororo yavo. Uwandu hwevasikana vari kubudiririra
muzvidzidzo padanho iri huchienzaniswa nehwevakomana hungangotsanangurwe huchinzi, hunoburitsa
kuti munhu wese, angave mukomana kana musikana, akapihwa mukana uye akaushandisa anogona
kubudirira. Izvi zvinotsigirwa nekuti, pane zvimwe zvikamu patiri kuona vasikana vakakunda
vakomana, pozoitawo pamwe patinoona vakomana vakakunda vasikana. Naizvozvo, tinoona kuti
hapana vatingati vane njere dzakadarika dzevamwe.

4
Chitsauko
2
Nhaka yomusiiranwa: Nzvimbo dzokushanyira
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kukurukura pamusoro penhaka yomusiiranwa vachipa nzvimbo dzokushanyira muno munyika
yeZimbabwe
b) kukurukura pamusoro pezvieraera zvaivako senzira yokuchengetedza masango nezviwanikwa
c) kupindura mibvunzo yenzwisiso
d) kupenengura matanho okutevedza pakunyora pfupiso
e) kutsanangura umboo hwavakapiwa pamifananidzo iri pamusoro penzvimbo yemhuka yeGonarezhou

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuongorora nzvimbo dzokushanyira vachipa kukosha kwadzo kunyika nekuzvizvarwa
zvichauya
b) kudoma mabazi enyika anoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa izvi
c) kuongorora zvieraera zvaibatsira kuchengetedza nhaka yenyika kare sezvizvi:

NOT FOR SALE


(i) miti yemichero haitemwi kuita huni, ukaita izvi unodyiwa neshumba
(ii) michero inodyirwa pamuti kana mujiri haitakurwi, ukaita izvi unotetereka nesango
(iii) haka haidyiwi nemunhu wese wese, ukaiwana unoenda nayo kwaShe
(iv) mitsonzowa haiveswi mumusha, kana mukaivesa munorwisana
(v) makudo haateyewi nemishonga kuminda kuti afe, mukaita izvi makudo anouya otaura
mumusha sevanhu.
Zvombo zvingashandiswa
• mufananidzo wenyika yeZimbabwe unoratidza nzvimbo dzekushanyira
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura pamusoro penzvimbo dzekushanyira dziri kuburitswa pamufananidzo
wenyika yeZimbabwe.
2. Vadzidzi vanotsvakurudza nezvenzvimbo dzekushanyira dziri muZimbabwe padandemutande
reruzivo.
3. Vadzidzi vanodoma vese vane chekuita nekuchengetedzwa kwemhuka nezviwanikwa munyika.
4. Vadzidzi vanotsanangura mabatsiriro aiita zvieraera pakuchengetedza nzvimbo, miti, mhuka
nezviwanikwa.

2. Ngativerengei
Nzvimbo dzokushanyira: Gonarezhou National Park
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga ndima nokuinzwisisa
b) kuongorora kukosha kwenzvimbo yeGonarezhou

5
c) kupindura mibvunzo yenzwisiso
d) kuita pfupiso yendima
Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo yemhuka dzakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavakurukure pamusoro pemhuka dzakasiyana-siyana dziri pamufananidzo vachitaura
kukosha kwadzo.
2. Vadzidzi vanodzokorora kudoma nzvimbo dzekushanyira dziri muZimbabwe.
3. Vadzidzi ngavaverenge ndima chinyararire.
4. Vadzidzi ngavanyore mhinduro dzemibvunzo yenzwisiso.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. Mudunhu reMasvingo, kuChiredzi (1)
2. Yakaumbwa mugore ra1975 (1)
3. Mozambique neSouth Africa (2)
4. Hwange National Park (1)
5. Rinoreva kuti muzinda kana musha wenzou (1)
6. Runde, Save naMwenezi (Chero mbiri dzadomwa) (2)
7. a) Masango makuru anotyisa (1)
b) Kugona kwaMwari kusika zvinoshamisa (1)
c) Kana wakamira pamusoro pechikomo cheChilojo (1)
d) Shiri yega yega ine muimbiro wayo/ rwiyo rwayo / muririro wayo (1)
e) Dzinopfuura mazana mashanu (1)

NOT FOR SALE


8. Matatya – ane mhando makumi matatu neina bedzi. (1)
9. Zvinoreva kuti munzvimbo iyi munowanikwa zvisikwa / mhuka / mhando dzemhuka zhinji. (2)
10. Zvinoitirwa kuti mhuka dzisapera dzose nenguva diki diki nokudaro vachengeti vemasango
ndivo vanoziva mhuka dzinenge dzava kuda kutapudzwa. (2)
11. Nzvimbo dzekugara kana mashanyako isharaude (2)
12. Pfungwa huru dzinotarisirwa kuburitswa nevadzidzi:
- Gonarezhou riri mudunhu reMasvingo kuChiredzi kuchamhembe kwakadziva
kumabvazuva.
- Nzvimbo yakakura kusvika 5 053km²
- Inzvimbo huru yemhuka yechipiri yemuno muZimbabwe.
- Inopiwa mvura nenzizi nhatu Runde, Save naMwenezi
- Mhando dzezvisikwa dzinowanikwa dzinosvika shanu
- Mhando dzeshiri ndidzo dzakanyanya kuwanda.
- Dzimwe nzvimbo dzayo hadzishanyirwi mumwaka wemvura kunze kweMabakuta
neChipinda.
- Nzvimbo dzokukugara kuGonarezhou kana mashanyako kuti muone zviriko dzakawanda,
dzichiripwa zvakasiyana

3. Ngatirungei mutauro
Madimikira
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutara mufananidzo wemunhu
b) kunyora madimikira anoenderana nenhengo dzemuviri dzakasiyana

6
c) kushandisa madimikira aya mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvirungamutauro
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaatsanangure basa ranhasi achipa muenzaniso.
2. Vadzidzi ngavanyurure madimikira kubva pazvirungamutauro zviri pabhambiri.
3. Vadzidzi ngavanyore basa iri panguva yechidzidzo.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvemadimikira aya mushure mekukwenywa kwebasa.
Mhinduro dzingabuda
Vadzidzi ngavatare mufananidzo wemunhu vozonyora madimikira anotevera, akanongedzera
panhengo dzinofambirana nawo.
a) Kuva nemusoro
b) Kuita mesomeso
c) Kuita gumbo mumba gumbo panze / kutyorwa gumbo
d) Kuva nemuromo usingamharwi nenhunzi
e) Kuisa muromo mumhino
f) Kuva neruoko rurefu / kuita chioko chegudo
g) Kubatira ura mumaoko
h) Kuoma mate mukanwa
i) Kurovera moyo kudombo
j) Kuita chitsoka ndibereke

4. Ngatirungei mutauro
Tsumo
Zvinangwa
NOT FOR SALE
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuumba tsumo dzine mazita ezvisikwa akapiwa
b) kutsanangura tsumo zvichibva pamuitiro wemhuka kana zviwanikwa zvadomwa
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine tsumo
• mifananidzo yemhuka dzakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavadome mazita emhuka dziri pamifananidzo.
2. Ngavataure zvavanoziva nezvadzo.
3. Vadzidzi ngavaverenge tsumo dziri pabhambiri.
4. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi.

Dzimwe dzetsumo dzingapiwa ndedzidzi:


a) Nzou hairemerwi nenyanga dzayo / Mukuru anotumwa, svosve akatuma nzou
akaenda / Kuvaraidza zuva kuteya nzou neriva.
b) Huswa hwenyati ndohuri mudumbu huri pamuromo inofa nahwo.
c) Dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana rokwevewa roti mavara angu azara ivhu.
d) Muromo hauzarirwi nerwizi / Rwizi haruedzwi negumbo
e) Sango rinopa waneta.
f) Zvikomo zvinopana mhute kuti mvura inaye.
g) Mvura haina n’anga.

7
h) Kukava / kubanha datya kuriyambutsa.
i) Simba rehove riri mumvura / mudziva.
j) Regai dzive shiri mazai haana muto / Mudzimu weshiri uri mudendere / Shiri ine muririro
wayo haiuregi.

5. Ngatitsanangurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura mhando dzemifananidzo yakapiwa
b) kutsanangura / kurapanura zvinorehwa nemifananidzo iri mumabhuku avo ekuverenga
Zvombo zvingashandiswa
• tunziyo twekuverenga
• mifananidzo yemhando dzakasiyana-siyana
• mifananidzo iri mumabhuku avo ekuverenga
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavadome mhando dzemagirafu ari pamifananidzo.
2. Vadzidzi ngavatsanangure kufanana nekusiyana kwawo.
3. Vadzidzi ngavape uwandu neChiShona kusvika pazana.
4. Vadzidzi ngavaite basa ranhasi vari mumapoka.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. a) - Nyati zviuru zviviri zvine mazana maviri ane makumi manomwe neina.

NOT FOR SALE


- Nzou zviuru zvipfumbamwe zvine zana nemakumi maviri nenhatu
- Twiza mazana maviri ane makumi mashanu ane imwe chete
- Nhoro zviuru zvitanhatu zvine shanu
- Njiri mazana maviri ane makumi matanhatu nenomwe
- Dhumukwa mazana matatu ane makumi matanhatu
- Mbizi chiuru nemazana matatu ane makumi masere neshanu
- Dindingwe makumi mashanu
- Mbada mazana matatu ane gumi neshanu
- Shumba makumi mashanu neina
- Bere mazana mana ane makumi maviri nerimwe
b) Dindingwe
c) Nzou
2. a) Yekushandisa mapfumo, uta nemiseve.
Misungo inoteiwa chinyararire munhu oenda ozodzoka ramangwana kuzongotora
b) mhuka inenge yabatwa pamusungo. Nokudaro inofarirwa nokuti haina ruzha
rungavabatisa.
c) Kuvhima nembwa.

8
Chitsauko
3
Shuramatongo
Kurarama neutachiona hweshuramatongo hweHIV neAIDS

Vavariro
a) kukurukura pamusoro pezvinokurudzirwa kuitwa kuti munhu ararame zvakanaka kunyange
aine utachiona hweHIV
b) kupa zvakakoshera kugamuchira upenyu hwekurarama nemukondombera
c) kuverenga ndima nokuinzwisisa
d) kupindura mibvunzo yenzwisiso
e) kupa zviito zvine nyaudzosingwi dzakapiwa
f) kuburitsa ukama mumhuri uye kukosha kwahwo
g) kunyora tsamba kushamwari

1.Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvingaitwe kuti munhu akwanise kurarama neutachiona hweHIV

NOT FOR SALE


b) kutsanangura zvakakoshera kugamuchira kurarama nemukondombera
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• vanamazvikokota vezvehutano
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita tsvakurudzo yezveutachiona hweHIV neAids pandandemutande
hurukuro iyi isati yaitwa.
2. Mudzidzisi ngaaparure musoro wenyaya.
3. Mudzidzisi anopa mukana vanamazvikokota vezvehutano kuti vatsanangurire vadzidzi
nezveutachiwona hweHIV neAids.
4. Vadzidzi ngavakurukure vari mumapoka zvingararamisa mumhu ane utachiona.
5. Mapoka ngaapakurire vamwe zvavawana.
Chenjedzo
a) Vadzidzi ngavabatsirike nezvose zvinobatsira kuti munhu ararame zvakanaka neutachiona.
b) Ngazviongororwe zvakare kuti panoitwa chidzidzo ichi hapana vadzidzi vachashungurudzwa
nacho.
c) Zvakakoshawo zvakare kuti vadzidzi vatsvagirwe magodobori ezveutano vazokurukura
navo.

9
2. Ngativerengei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga ndima zvakatsetseka vachiinzwisisa
b) kutsanangura zvavadzidza maererano nechirwere chemukondombera
c) kupindura mibvunzo yenzwisiso
Zvombo zvingashandiswa
• dura rezvidzidzo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavapiwe nguva yekuverenga ndima.
2. Vadzidzi ngavakurukure seboka nyaya yavaverenga.
3. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso
4. Vadzidzi ngavanyurure pfungwa huru vagonyora pfupiso sebasa rekumba.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. Tete Rudairo (1)
2. Vakanga vaponwa musi mumwe chete naama ivavo. (1)
3. Vaienda kunoisa maruva nekuita minamato pamakuva evabereki vavo. (1)
4. Vapedza vaigumbatirana zvakasimba vari vatatu. (1)
5. a) Baba vavo vakanga vashaika vakasiya mai vavo vakazvitakura.(2)
b) Hapana akanga amboita hanyn’a yokubvunza chakadya vabereki. (2)

NOT FOR SALE


c) Tese takati gwindiri kuda izvi.(2)
d) Yakamutarisa neziso rinenge raiti ngatiite zvataurwa.(2)
e) Misodzi yakange yati karavanda mumaziso avo. (2)
6. Kuchikoro ndakanzwa kuti manga muri zvikwapuro chaizvo. (2)
7. a) Varambe vachitora mushonga samazuva ose
b) Varege kunyara kana kuzvishora pakati pevamwe
c) Vanopindawo mumitambo yepachikoro kuti vagare vakagwinya
d) Vagare vakafara (Torai zvitatu chete) (3)
8. Vaichengetwa nerudo naTete Rudairo uye vaipiwa mishonga
sezvaidiwa. (1)
9. Aireva kuti kuva neutachiona hazvirevi kuti wave kutofa. (1)
10. Pfupiso
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa:
- Tendai naRudo vaive mapatya
- Vabereki vavo vakashaya vachivasiya dziri nherera
- Baba vavo vakashaya vachisiya mai vavo vaine pamuviri pavo
- Vakasara vachichengetwa natete Rudairo
- Vainge vazvarwa vaine utachiona hweHIV
- Tete vakanga vakavaisa pachirongwa chemishonga yemaARV ivo vasingazivi
- Vakazonodzidziswa nezveurwere hwavo vapedza gwaro rechinomwe
- Mukoti akavakurudzira kuti vanogara vakafara kuchikoro.

10
- Vakakurudzirwa kunotora mishonga yavo nekunoita mitambo.
- Vakakurudzirwa kuti vanogara vachitevedza zvavakanga vadzidza nokuti kuva neutachiona
hazvirevi kuti watofa.

Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro isina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatizivei mutauro
Nyaudzosingwi
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti chii chinonzi nyaudzosingwi
b) kuburitsa ukama pakati pezviito nenyaudzosingwi
c) kuzadzisa pakashama vachishandisa nyaudzosingwi
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine nyaudzosingwi

NOT FOR SALE


Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanodoma nyaudzosingwi dzakashandiswa mundima.
2. Vadzidzi vanotsanangura zvinoreva nyaudzosingwi dziri pazvitaitai vachipa ukama nezviito.
3. Vadzidzi ngavashandise nyaudzosingwi vachizadzisa pakashama.
Mhinduro
a) Nyaudzosingwi chiito
(i) gwindiri kusimba / kugwinya
(ii) bwa kuvhara / kupfiga
(iii) karavanda kujenga
(iv) bwai kubwaira
(v) mwii kunyarara

b) Nyaudzosingwi dzinoita kuti muverengi kana muteereri anyatsoona maitikiro echinhu


mupfungwa dzake.
c) (i) Hana yatete yaiti fasha kuzara nemufaro kana vaina Rudo naTendai
(ii) Rudo akati gurwi /gadabi / gudya kumedza mapiritsi
(iii) Mukoti akaramba akati ndee kutarisa vana
(iv) Haikona kuramba wakati ziro / mwii usingapinduri

11
4. Ngatirungei mutauro
Misambo: Ukama
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma ukama hunowanikwa mumhuri
b) kutsanangura kudyidzana kune chiremera paukama

Zvombo zvingashandiswa
• bepanhau
• vakokwa vanaSorojena
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi anopa mukana vanaSorojena kuti vatsanangurire vadzidzi nezveukama kana kuti
vadzidzi vanoverenga nezveukama mumapepanhau.
2. Vadzidzi vanoongorora ukama huri mundima.
3. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pekudyidzana zvine chiremera muukama.

Mhinduro
a) (i) Muroora natete
(ii) Hanzvadzikomana nehanzvadzisikana

NOT FOR SALE


(iii) Tezvara nemukuwasha
(iv) Vazukuru nasekuru
(v) Mbuya nevazukuru
b) (i) Muroora natete
Tezvara nemukuwasha
(ii) Vazukuru nasekuru
Vazukuru naambuya

5. Ngatinyorei
Tsamba kuhama kana shamwari
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvikamu zvakakosha pamamiriro etsamba yeshamwari kana hama
b) kunyora rondedzero yetsamba kuhama kana shamwari
Zvombo zvingashandiswa
• mucherechedzo wetsamba yehama
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoongorora mucherechedzo wetsamba yehama.
2. Vadzidzi vanoita tsvakurudzo yezvinotarisirwa pakunyora tsamba kuhama padandemutande
reruzivo.
3. Vadzidzi vanoita hurukuro pamusoro pezvikamu zvetsamba kuhama.

12
4. Vadzidzi ngavanyore rondedzero yetsamba.
a) Tsamba kuhama inodiwa nemwana achiiudza pamusoro pezvitsva zvaari kuona pachikoro
chaave.
b) Rondedzero yetsamba mutumbi wayo ngauve neurefu hunosvika shizha rimwe
chete nechidimbu kusvika kumashizha maviri
c) Tsamba kuhama inomira yakadai:

Chasara Secondary School


P O Box 176
Mapiravana
Gutu

20 Ndira 2016

Vanodiwa Tete Rudairo


………………………………………………………………………………………………………
………………………………………………………………………………………………………
………………………………………………………………………………………………………
…………………………………………………………………………………..
Wenyu anokudai

Tendai
NOT FOR SALE
6. Ngatitsanangurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mapoka ezvokudya vachipa mienzaniso
b) kutaura basa reboka rega rega rezvokudya ravadoma
c) kupindura mibvunzo yavanzi vatsanangure
Zvombo zvingashandiswa
• mabhuku anotaura pamusoro pezvekudya
• mukokwa anoziva nezvekudya
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Mukokwa ngaakurukure nevadzidzi maererano nezvekudya zvakakodzera.
2. Vadzidzi ngavaverenge mabhuku anotaura pamusoro pezvekudya kana kuverenga padandemutande
reruzivo.
3. Vari mumapoka, vadzidzi ngavagadzire bhambiri rine mapoka ezvokudya maringe nebasa
razvo mumuviri.
4. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo iri mumabhuku avo ekuverenga.

13
Chitsauko
4
Kudzivirira nekugadzirisa ngwavaira
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kunzwisisa kuti ngwavaira chii
b) kukwanisa kupa mazano ekuti zvii zvingaitwe kudzivirira ngwavaira dzakasiyana-siyana
c) kuzoshandisawo ruzivo urwu kuzvidzivirira kana vachinge vatarisana nengwavaira

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti ngwavaira chii
b) kudoma mhando dzengwavaira
c) kutsanangura nzira dzakasiyana dzekudzivirira ngwavaira
Zvombo zvingashandiswa
• mapepanhau anobata nyaya dzengwavaira
• nhau dzinowanikwa padandemutande reruzivo

NOT FOR SALE


Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekunoita vhendenyuro padandemutande rezuzivo kana
mumapepanhau hurukuro iyi isati yaitwa.
2. Mudzidzisi anopa vadzidzi mukana wekutaura ngwavaira dzavanoziva.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavabude nemazano ekudzivirira ngwavaira dzakasiyana- siyana.
4. Mudzidzi umwe ngaataure ngwavaira yemoto yaakamboona, yaakamboverenga mubepanhau
kana kunzwa nezvayo uye kuti zvii zvakadzidzwa kuburikidza nengwavaira iyi.
5. Mudzidzisi anozopeta chidzidzo nekupawo pfungwa dzake pamwe nezvaakawanawo
mutsvakurudzo yake.
Zvinobuda muhurukuro ngazvijekese zvinotevera:
• Ngwavaira injodzi inogona kuwira vanhu, ibvai mapa mienzaniso yengwavaira idzi kuti vadzidzi
vagonyatsonzwisisa.
• Pane zvinhu zvinoshandiswa mazuva ose zvakaita semoto nemvura. Vadzidzi ngavanzwisise
kuti zvinhu izvi zvinogona kuva nenjodzi kana zvadii. Ipai mienzaniso.
• Vadzidzi ngavazive kuti kana vatarisana nengwavaira yakadai, chinoda kunyanya kuchengetedzwa
upenyu, zvemidziyo nehumwe upfumi hazvina basa nokuti munhu anogona kushanda akawana
zvimwe, hunge ari mupenyu.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyurura ngwavaira iri mundima
b) kudoma kuti yaigona kudzivirirwa nenzira dzipi

14
c) kutsanangura zvakakoshera kugona kutuhwina muupenyu
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine mitemo yepamatuhwino akasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoverenga mitemo yepamatuhwino akasiyana-siyana iri
pabhambiri.
2. Mapoka anopihwa mukana wekupira zvavaverenga nekunzwisisa kuboka guru.
3. Vadzidzi vanoverenga ndima yakapihwa vopindura mibvunzo yenzwisiso.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pengwavaira iri mundima mushure mekunyora
basa iri.
Mhinduro
1. Munyori aibva kubhuku rekwaManjengwa (A)
2. Kwaipisa zvakanyanya (C)
3. Munyori akamhoresa VaJavangwe nekuti aida kuona kuti vapenyu here (C)
4. Hapana akadomwa nezita (D)
5. Ruzha rwaive panzvimbo iyi rwaive rwakawandisa (B)
6. Vakatya kuti zvimwe Mazungunze afa (A)
7. Ainge aona kuti mazera aive padhigidho ndiwo akakodzera kufudza mombe (C)
8. Akaenda kunonyudza iye asingagoni kushambira (B)
9. Ainge otyirawo upenyu hwake (B)
10. Dambudziko ravaive vatarisana naro raive rakura kupinda kutsva (C)
11. Pfupiso

NOT FOR SALE


Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa:
- Kufuma kuchipisa, huku nembudzi zvichitambura nekutsva zvisingafambi-fambi
- Vanhu vakatambura nekutsva, vaisafamba uye vaisava nemimvuri
- Kuenda kudhidho kwemunyori achipfuura achiona tete vaiva vakarara vakaisa musoro
kumusuwo
- Vakomana vaiva vakazara kuduhwino mombe dzisina anofudza
- Kusebera kwevana kwainyudza uye kunyura kwaMazungunye
- Kushevedzera kuda rubatsiro kwemunyori atadza kubatsira Mazungunye
- Kubatsirwa kwaMazungunye naMushoma uye kutiza kwevamwe vana
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Fananidzo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti fananidzo chii
b) kudoma fananidzo dzinoenderana nezvakapihwa
c) kushandisa fananidzo mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose.

15
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvirungamutauro

Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaatsanangure kukosha kwefananidzo mumutauro weChiShona.
2. Vadzidzisi vanonyurura fananidzo kubva pazvirungamutauro zviri pabhambiri
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvefananidzo dzakanyorwa mushure mekukwenywa
kwebasa.
Mhinduro
a) Kutsvuka semhiripiri
b) Kusviba setsito / tsubvu
c) Kupfava sedonje / makushe
d) Mahobi segudo
e) Kureba semudhuri / twiza
f) Kushanduka serwaivhi
g) Kuonda semukonikoni
h) Kuchema sewafirwa
i) Kuchena semazaya echando / mukaka
j) Kurwa semvumba

4. Ngatiumbei mutauro
Zvinangwa

NOT FOR SALE


Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mazita ezvinhu zvinobatika
b) kudoma mazita ezvinhu zvisingabatiki
Zvombo zvingashandiswa
• mabhuku ekuumbwa kwemutauro
• zvinhu zvinobatika zvakafanana nebadza, chingwa, nhava nehari
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavape zvavanoziva maererano nezvemazita ezvinhu zvisingabatiki.
2. Vadzidzi ngavakurukure nezvemazita ezvinhu zvinobatika nezvisingabatiki vachibatsirwa
nezvinhu zvinobatika zvakapiwa zvakafanana nebadza, chingwa, nhava kana hari.
3. Vadzidzi ngavaverenge nezvekuumbwa kwemazita mumabhuku ekuumbwa kwemutauro.
4. Vadzidzi ngavanyore basa ravo ranhasi.
Mhinduro
Vadzidzi vanogona kunyora chero api mazita ezvinhu zvinobatika nemamwewo ezvisingabatiki.

5. Ngatitsvakurudzei
Tsoro yemazwi
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mazwi ari muchirongwa ane chekuita nengwavaira yemvura
b) kutsanangura kuti vanhu vangazvichengetedze sei kubva kungwavaira iyi

16
Zvombo zvingashandiswa
• vanamazvikokota venjodzi dzemumvura
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi anopa mazvikokota wenjodzi dzemumvura mukana wekukurukura nevadzidzi.

NOT FOR SALE


2. Mudzidzi umwe neumwe ngaanyurure mazwi aya ari ega pozoitwa hurukuro yemazwi aya.

Mazwi ari muchirongwa


kufa kutuhwina batsira shambira
shinga tiza mira ngozi
dzora fara suwa rarama
nunura ngwara. nzizi upenyu

Cherechedzo: Mudzidzisi kurukurai nevadzidzi maererano nemazwi avanenge vawana muchirongwa,


moutora semukana wekuwedzera dzidziso nechenjedzo pamusoro pengwavaira.

6. Ngatishangazhikei pakunyora
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura njodzi dzinogona kuitika mumvura
b) kupa mazano angabatsire vamwe vezera ravo kudzivirira njodzi dzemumvura
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mitemo yemumaduhwino
Maitirwo echidzidzo
1. Vari mumapoka vadzidzi ngavaverenge mitemo yepamaduhwino akasiyana-siyana.
2. Vadzidzi ngavaverenge mashoko akambotaurwa pamakungano erudzi urwu padandemutande.
3. Mudzidzisi ngaaverenge dzimwe rondedzero dzaanoona dzakanyorwa zvakanaka.
4. Vadzidzi ngavachengetedze basa ravo muhomwe yavakagadzira.

17
Chitsauko
5
Kodzero dzevana mumhuri
Vavariro
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kutsanangura kuti kodzero chii
b) kuongorora dzinganzi ndidzo kodzero dzevana panzvimbo dzakasiyana-siyana
c) kuongorora kushonyororwa kunoitwa nhau dzekodzero gume yave misikanzwa ine njodzi
kuvana zvakare
d) kuverenga nekunzwisisa vachizopindura mibvunzo yenzwisiso nepfupiso
e) kunyukura mazita mundima yavaverenga
f) kuongorora kuvakwa kwesungawirirano muzvirevo pamazita avashandisa
g) kupa kukosha kwekuchengetedza ukama mudzimhuri
h) kunyora zvine unyanzvi nhetembo dzine dingindira rekodzero dzevana

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti chii chinonzi kodzero
b) kudoma kodzero dziri kupihwa vana mumhuri, pachikoro, munyika nemunzvimbo

NOT FOR SALE


dzakasiyana-siyana
c) kubudisa pachena zvingaitwe kuti vana vade kodzero nenzira dzisingatyori kodzero
dzevamwe vavanorarama navo
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita tsvakurudzo yezvekodzero dzevana padandemutande reruzivo hurukuro
isati yaitwa.
2. Mudzidzisi anoparura chidzidzo achitsanangura kuti chii chinonzi kodzero.
3. Vadzidzi vanodoma mhando dzekodzero vari mumapoka.
4. Vadzidzi vanopakura izvo vawana mumapoka.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupanana zvijana vachiverenga ndima yapuhwa
b) kutsanangura zviri mundima vachibudisa kodzero dzevana
c) kubudisa kukosha kwevabereki nevachengeti vevana pakuzadzikisa kodzero dzavo
d) kupindura mibvunzo yenzwisiso nepfupiso
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine kodzero dzevana
• dura remudzidzisi

18
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura nezvekodzero dzevana dziri pazvitaitai.
2. Vadzidzi ngavapiwe mikana yekutsetsenura ndima yakapiwa.
3. Vadzidzi vanoita hurukuro pamusoro pekodzero dzabudiswa mundima.
4. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanodzimbunura pfungwa huru dzinoumba pfupiso
Mhinduro
1. KuZengeza munaRukodzi
2. Vaviri
3. KwaSadza
4. Kushaiwa chokudya nekushaiwa anopinza chikoro – kushairwa hanya nehama
5. Kushaiswa rudo rwevabereki – kushaiswa dzidzo – kushaiswa chokudya – kushaiswa
chokupfeka
6. a) Vaive vachiteta kutarisa / vanotya zvakanyanya
b) Hazvina kunaka kuti varange vega vanenge vavatadzira
c) Hapana akada kuchengeta mhuri mbiri, yake neyanaMurambiwa
d) Votevedza madzimai echipfambi
e) Vana vakaona nhamo yakanyanya
7. Kukonzera kuti vatsvage kurarama nenzira dzakaipa
8. Mhosva iya yaunenge wapara ukasungwa nemapurisa inoramba yakanyorwa pasi, kwese
kwaunotsvaga basa inenge yoita kuti urambwe ikoko.
9. Pfupiso
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa:

NOT FOR SALE


- Murambiwa mukomana anemakore gumi nemashanu
- Akapinzwa mukuba nevakoma vake nekuda kwenhamo yavakanga vaona pamusha.
- Vabereki vavo vakarambana vana vakashaya anosara achiriritira.
- Vakomanavakashayaanopinzachikorovakapindamumabasaokuba Harare.
- Jemisina Chatambudza vaipinza Murambiwa nepama fafitera usiku kuti akiyinure mikova
yavanhu usiku.
- Vana vekwaChomusora vakanga vasina tsitsi nevanhu nekuti vaiona wose pasina akavaitira
tsitsi.
- Murambiwa akazobatwa akarohwa zvakasimba kuZengeza
- Akanga ave nedambudziko rekushaya mabasa nekuti mhosva yokuba iya yaingomuteverera
- Murambiwa akatsidza kuzoriritira vana vake zvakanaka muupenyu hwake.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatiumbei mutauro
Mazita
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti zita chii?
b) kuburitsa mienzaniso yemazita abudiswa mundima

19
c) kushandisa mazita arimundima muzvirevo zvizere
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine mazita
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanodoma mazita arimundima yavaverenga uye ari pazvitaitai.
2. Vadzidzi vanoshandisa mazita muzvirevo zvakasiyana-siyana.
a) Vadzidzi ngavaburitse mazita avanowana voongorora pamwe chete kuti mazita here.
Mienzaniso yemazita arimundima. Murambiwa, mapurisa, kakomana,mutoro.
b) Vadzidzi ngavaumbe zvirevo zvavano zvisarudzira. Muenzaniso:
(i) Mapurisa akasunga Murambiwa kuZengeza.
(ii) Kakomana kake kane mutumbi wakatsonga.

4. Ngatirungei mutauro
Misambo: Ukama
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma ukama hunowanikwa mumhuri iri mundima yavaverenga
b) kutsanangura zvakakoshera kuchengetedza ukama pakuvaka kodzero dzevana
c) kujekesa zvakakoshera kuti vana vave neruremekedzo kuvanhu vakuru izvo zvisinei nekodzero
dzavo, kunyange kune vasiri vabereki vavo
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• vatauri vanoona nezvekodzero dzevana vomunharaunda
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi anopa vakokwa mukana wekutaura nevadzidzi nezvekodzero dzevana
2. Vadzidzi vanoongorora ukama hwevanhu vari mundima.
3. Vadzidzi vanokurukura zvakakoshera ukama pakodzero dzevana.
4. Vadzidzi vanodoma tsika dzakanaka dzinotarisirwa kubva kuvana vachiitira kuvanhu vakuru
chero vasiri vabereki vavo.
Mhinduro
a) (i) Anonzi babamukuru
(ii) Anonzi babamudiki
(iii) Amaiguru
(iv) Amainini
(v) Hanzvadzi
b) Hama dzinokwanisa kuwanisa vana zvimwe zvezvinotevera kana vabereki vasisipo
- Dzidzo
- Rudo
- Pokugara pakanaka
- Zvokupfeka
- Dzidziso dzounhu
- Kumira navo pane zvose zvinobata kana kuvawira muupenyu
c) Vadzidzi vanogona kudoma tsika dzakawanda dzimwe dzacho ndedzidzi:
- Kukudza vakuru pakutaura
- Kuteerera kutsiurwa nevakuru
- Kusadzorera mashoko okutuka kumukuru

20
- Kuzvininipisa pane vakuru
- Kukwazisa vakuru

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura manyorerwo enhetembo akanaka akanangana nokurerwa kwevana
b) kunyora umwe noumwe detembo rake rinojekesa kodzero dzevana
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine nhetembo dzekodzero dzevana
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoverenga nhetembo dziri pabhambiri voita hurukuro yemhando dzacho.
2. Vadzidzi nomudzidzisi vanoita hurukuro pamhando dzenhetembo.
3. Vadzidzi vanonyora nhetembo dzinepfungwa huru (dingindira) yekodzero dzavo.
4. Vadzidzi vanoyanika nhetembo dzavo kumadziro.
Zvinotarisirwa
- Vadzidzi ngavanyore nhetembo dzinokurudzira kurerwa zvakanaka kwevana. Madingindira
ngaaburitse kodzero dzevana.
- Zvinyorwa zvinenge zvine unyanzvi ngazvisarudzwe nevadzidzi vozvichengetedza nenzira
dzakasiyana-siyana.

NOT FOR SALE


- Vadzidzi vanogona kutanga kuita muunganidzwa wenhetembo vozotsikisa bhuku ravo.
- Vadzidzi vanongona kuiisa nhetembo kuchidziro vachidziverenga.

6. Ngatitsanangurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvinoreva kodzero dzirimuUnited Nations Convention on the right of the
child
b) kubudisa njodzi pakurasika kwevana nekutevedzera kodzero dzebumbiro iri
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita vhendenyuro yezveUN Convention on the rights of the child padandemutande
reruzivo nepane zvimwewo zvinyorwa.
2. Vadzidzi vanoita hurukuro vachibatsirwa nemudzidzisi.
3. Vadzidzi vanotsanangura zvinorehwa nekodzero dzirimo.
4. Mudzidzisi anobatsira vadzidzi kujekesa izvo zvinganzi ndizvo zviri kukanganisa tsika dzevana
ivo vachiti kutevedzera kodzero dzavo.

21
Chitsauko
6
Kukosha nekuchengetedzwa kwenharaunda
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kunzwisisa kuti nharaunda chii.
b) kuziva nzira dzekuchengetedza nharaunda
c) kuziva zvinokanganisa nharaunda uye matanho angatorwe kudzivirira kuparara kwenharaunda.
d) kuburitsa maumbirwo emazita

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti nharaunda chii
b) kudoma zvinhu zvinogona kukanganisa nharaunda
c) kutsanangura nzira dzekuchengetedza nharaunda
d) kutsanangura zvingaitwe kugadzirisa nharaunda dzakakanganiswa kare
Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo inoratidza kukanganiswa kwenharaunda.

NOT FOR SALE


• magwaro anobva kumapoka anoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda seEMA
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekunoita vhendenyuro padandemutande hurukuro iyi isati
yaitwa.
2. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanogoverana zvavakawana mutsvagurudzo dzavo
3. Mudzidzisi anopa vadzidzi mukana wekutaura pfungwa dzavo maererano nezvavarikuona
pamifananidzo inoratidza kukanganiswa kwenharaunda nekuvagadzirisa pavanenge varasika.
4. Mudzidzisi nevadzidzi vanogona kushanyira dzimwe nharaunda dzakanaka nedzakakanganiswa
vachiona.
Zvingabuda muhurukuro
Vadzidzi ngavanzwisise zvizere kuti nharaunda chii uye kukosha kwayo pakurarama kwevanhu.
Nharaunda inotangira mumba matinogara yobuda panze pachivanze nezvimwe zvese zvakatikomberedza.
a) Marasirwo emarara anogona kukanganisa nharaunda, kuitira tsvina pese pese, kurima vanhu
vachienda kwakateremuka, kuvaka chimbuzi kudivi kunobva nemhepo kana pedyo netsime,
kutsvaira chivanze muchikukura ivhu repamusoro, kutadza kudyara tsangadzi pachivanze,
kutema miti, kupisa uswa, kuchera makomba pese pese nezvimwewo.
b) Vanhu vanogona kuita zvirwere zvemanyoka, vanhu vanogona kutorerwa dzimba nemhepo
kana pasina miti yakakomberedza, vanogonawo kutsva nekupiswa kwemasango nezvimwewo.
c) Kudyara miti, kudyara tsangadzi, kuvaka zvimbuzi, kurima nenzira dzinochengetedza nharaunda,
kuchera makomba ekurasira marara, kusapisa masango nezvimwewo
d) Vadzidzi ngavanzwisise kuti pane zvimwe zvinogadzirika, poita zvimwe zvisingagadzirike
asi zvinogona kumiswa kuti zvisarambe zvichienda mberi. Vanhu vakatora matanho ari pamusoro
zvinogona kubatsira kugadzirisa zvakakanganisika panharaunda uye kuti isarambe ichikanganisika.

22
2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyurura zviri mundima zvinoitwa nevanhu zvinokanganisa nharaunda
b) kutsanangura zvinokonzerwa nekukanganiswa kwenharaunda uku
c) kutsanangura matanho ari kutorwa mukuedza kuchengetedza nharaunda
d) kupindura mibvunzo yenzwisiso
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekunoverenga ndima iyi panguva yavo.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro penyaya dzekukanganiswa kwenharaunda
dzavanoona mundima.
3. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. Imhando yenhetembo yenyunyuto.
2. Kupiswa kwemasango, kurasirwa kwetsvina munzizi, kucherwa kwemakomba, kutemwa
kwemiti, kuvakira dzimba pasina kukodzera.
3. Vanenge vachitsvaga huni, vanenge vachida mapango ekupfiririsa dzimba nekuvaka matanga
nezvirugwi, vanenge vachida kushandisa nzvimbo yacho kurima.
4. a) Nzvimbo yave gwenga, hapasisina uswa.
b) Vamwe vanokukura ivhu repamusoro muzvivanze vachisiya vayanika matombo pachena.
c) Marara acho ari kungosvibisa nharaunda.

NOT FOR SALE


5. Kuchenjedza vanhu pamusoro pezvakaipira kupisa masango, kuita chirongwa chekudyara
miti mudunhu mangu, kukomekedza vanhu kuti vadyare tsangadzi muzvivanze, kuisa mutemo
unorambidza kutemwa kwemiti zvisina tsarukano
6. Kuyeredza tsvina nekurasirwa kwemarara mumvura.
7. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru dzinosvika nomwe
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Madimikira
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsangura zvinoreva madimikira akapihwa
b) kushandisa madimikira aya mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine madimikira
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura nezvemadimikira ari pabhambiri.
2. Vadzidzi ngavanyore basa iri.

23
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvemadimikira aya mushure mekukwenywa kwebasa,
vachitsanangura pakashandiswa madimikira mukutaura
Mhinduro
a) Kuba kunenge kweshavi
b) Kufarira kugara uchirova vamwe
c) Kupiwa pamuviri kwemusikana zvisiri pamutemo
d) Kuyevedzwa nevasikana kana vakadzi vakawanda usingagutsikane nemumwe chete.
e) Kuva wezera rechidiki kana achiri akagwinya
f) Kuita seuri kutambudzika nevamwe asi zvako zvakanaka.
g) Kutaurisa / munhu asinganyari kutaura
h) Kuwirirana zvekusasiyana
i) Kumirira munhu asingauyi
j) Kusawirirana / kuvengana

4. Ngatiumbei mutauro
Mazita
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvipandi zvinoumba zita
b) kutsanangura maumbirwo ezita
c) kupatsanura mazita akapihwa vachitevedzera maumbirwo awo
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• mabhuku ekuumbwa kwemutauro
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaadzokorore kutsanangura kuti chinonzi zita chii.
2. Vadzidzi ngavape mienzaniso yemazita vari mumapoka.
3. Vadzidzi nemudzidzisi kurukurai mavakirwo emazita muchibatsirwa nemabhuku ekuumbwa
kwemutauro.
4. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi.
Mhinduro
a) chi- + -demo b) va- + -komana c) mi- + -temo
d) chi- + -toro e) dzi- + -mba f) ku- + -mafaro
g) u- + -rombe h) v- +-ana i) ka + kwai
j) ka- + -kadzi

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Kutara mifananidzo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvinofanira kuwanikwa pamusha zvine chekuita neutsanana
b) kutara mifananidzo inoratidza ruzivo maererano nemamiriro anofanira kuita pamusha
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• magwaro anobva kumapoka anoona nezvenharaunda seEnivornmental Management Association
(EMA)

24
• mazvikokota wekuEMA
Maitirwo echidzidzo
1. Mazvikokota wekuEMA anopihwa mukana wekugowerana nevadzidzi nezvekuchengetedzwa
kwenharaunda zvineutsanana.
2. Vadzidzi vanotsvaga nharaunda dzakachengetedzwa zvine utsanana padandemutande reruzivo.
3. Vadzidzi vanotara mifananidzo inoratidza zvinofanira kuwanikwa pamusha, mumwe nemumwe
ari pake ega.
4. Mudzidzisi ngaaratidze vamwe vadzidzi mifananidzo yakabuda zvakanaka.
Mhinduro
Mudzidzisi ngaacherechedze kuti zvese zvinofanira kuva pamusha zviripo pamufananidzo

6. Ngatitsanangurei
Kuchengetedza nharaunda
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvavari kuona pamufananidzo
b) kutsanangura kuti zvinokanganisa sei nharaunda
Zvombo zvingashandiswa
• mimwe mifananidzo inoratidza machengetedzerwo enharaunda kubva mumapepanhau kana
mamwe mabhuku
Maitirwo echidzidzo

NOT FOR SALE


1. Vari mumapoka, vadzidzi vanoongorora mifananidzo inoratidza machengetedzerwo enharaunda
kubva mumapepanhau kana mamwe mabhuku.
2. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite basa ari oga.
3. Mudzidzisi ngavatungamire hurukuro ichaitwa mushure mekunge vadzidzi vakasarudzwa
vapakura zvavainazvo.
Zvingabuda muhurukuro
- Vanhu vari kurasira marara pese pese
- Mapepa uye zvinhu zvisingaori zviri kungokandwawo ipapo kunyangwe zvisingaori
- Zvinoputika nezvinobaya zvinongokandwawo ipapo
- Zvinhu zvisingaori zvinoita kuti mweya usatenderere muvhu zvakanaka zvichikanganisa tupuka
tunogara muvhu.
Zvingaitwe kugadzirisa dambudziko
- Ngakuve nemutemo unosunga avo vanorasira marara pese pese
- Ngapave nenzvimbo yakakodzera yekuti vanhu varasire marara
- Vanhu ngavadzidziswe zvakaipira kurasira marara pese pese
- Vemabasa ngavaonekwewo kuti utsi hwavanoburitsa hahukanganisi nharaunda nemhepo
inofema vanhu

25
Chitsauko
7
Kushava
Vavariro
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kutsanangura kuti kushava kudii
b) kuongorora nzira dzokushava nadzo sevadzidzi veChiShona
c) kutanga boka rekutsikisa bepanhau pachikoro pavo
d) kuverenga nekunzwisisa vachizopindura mibvunzo yenzwisiso nepfupiso
e) kupa mazwi anoreva zvakafanana vakatarisa mamwe mapazi endimi dzeChiShona
f) kunyora rondedzero yetsumo
g) kuita tsvakurudzo pamusoro pemamwe masangano ekushava emunharaunda, nyika neepasi
rose

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti chii chinonzi kushava
b) kupa nzira dzokushava dzakasiyana-siyana
c) kukurukura vachijekesa urongwa hwehurumende hunokurudzira vanhu kuita mashaviro

NOT FOR SALE


akanaka kubudikidza nokuva nemasangano avo
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• magwaro anotaura nezvekushava
• mifananidzo inoratidza vanhu vari kushava
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita vhendenyuro yekushava padandemutande kana mumagwaro anotaura
nezvekushava hurukuro isati yaitwa.
2. Mudzidzisi anoparura musoro wenyaya.
3. Vadzidzi vanodoma nzira dzokushava nadzo uye zvinangwa zvokushava zvavanoziva munzvimbo,
mumapoka kana munyika.
4. Vadzidzi vanotsanangura mifananidzo yavapihwa vachibudisa zvainoreva.
Zvingabuda muhurukuro
a) Kushava inzira yekutsvaga nayo mari kana raramo.
b) Kune nzira dzakawanda dzekushava dzinosanganisira kuimba, kuita mitambo yechinyakare,
kunyora nezvimwe.
c) Mishandirapamwe ndeimwe nzira yekushava.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga detembo zvakatsetseka

26
b) kutsanangura ndevo itsva dzabuda mudetembo
c) kujekesa nzira dzokushava nadzo mukurarama kwevadzidzi uye vabereki
d) kupindura mibvunzo yenzwisiso
Zvombo zvingashandiswa
• dura remudzidzisi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavapiwe mukana wekuverenga detembo.
2. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pezviri kubudiswa mudetembo, vakanangana nedingindira
rekushava.
3. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso.
Mhinduro
1. Kunze kwevane usimbe (1)
2. Kuti vashande nesimba vashave nezvavanazvo pavari ipapo (1)
3. Zvinoreva kuti ukashanda nesimba ndiko kuti uwane chokudya / zvaunoda (1)
4. Mhinduro
- Kunyora zvinyorwa zvinofadza ruzhinji
- Kutsikisa nyambo
- Kuita vashamarari pamitambo (3)
5. Kufusha uye kuisa mugaba (2)
6. a) Kwarakwashu vachirasa machira
b) Kwaiva kwati nguu
c) Chawakadengezera chokushava nacho / chawakapfumbatira chokushava nacho

NOT FOR SALE


d) Hakuna chinodakadza pasi pano sokudya cheziya
e) Apunyaira haashayi misodzi (10)
7. Kuita mabindu emichero, emaruva neemiriwo (1)
8. Chero zviviri pane izvi
- Vakwegura
- Varwere
- Vane urema
- Vaduku
9. Pfupiso
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa:
- Kunze kuchingoedza vanhu vanomuka nekukurumidza vomhanyira kunosevenza
- Simbe ndodzinoramba dzakarara
- Munhu wese anogona kutengesa zvaanazvo nezvaanogona
- Mazera ose, vakuru nevadiki, vanogona kubatsirana kushava muminda nemumapindu
- Zvikoro zvinogona kuita mapindu akasiyana-siyana
- Vana vechikoro vanogona kushava nezvinyorwa, mitambo nekuimba
- Zvinofadza kupfuma nekuzvisevenzera tirege kumirira kuitirwa.
- Tinogonawo kubatsira vanotambura vedu tega tisingatarisiri zvese kubva kuhurumende
- Tikazvishandira tinowana zvose toga.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

27
3. Ngatirungei mutauro
Mazwi mune dzimwe ndimi dzeChiShona
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa mazwi mundimi dzakasiyana-siyana dzeChiShona
b) kunyurura mazwi ese ari muChiKaranga kubva mudetembo vomaisa kune dzimwe ndimi
dzeChiShona
c) kunyora basa ravo nemazvo
Zvombo zvingashandiswa
• mufananidzo wemapazi endimi dzenyika yeZimbabwe
• dura remudzidzisi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanotsanangurirana mapazi anoumba mutauro weChiShona kubva pamufananidzo
wakapiwa.
2. Vadzidzi vanopa mienzaniso yakawanda yemazwi anotaura zvakafanana mumapazi eChishona
3. Vadzidzi vanonyora basa riri mumabhuku avo ekuverenga
ChiKaranga Izwi rinoreva zvimwe
chete kune dzimwe ndimi
Usimbe nungo
Machira Magudza / magumbeze
Kutsava Kutamba / kudzana

NOT FOR SALE


Vanookera Vanotarisa / vanoona
Pungurirwa Tapudzirwa
Mufananidzo Mufananidzo
Tandavadze Tambanudze
Musamba Muhomwe / mumbudu
Kushava Kutsvaga / kuunganidza
Hakudanwi Hakudaidzwi / hakushevedzwi
4. Ngatinyorei
Rondedzero yetsumo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kukurukura nezvekunyora rondedzero yemhando yetsumo
b) kusarudza musoro kubva pane iyo yakapihwa, vonyora rondedzero ingaite shisha rimwe
chete nechidimbu kusvika kumashizha maviri
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine misoro yerondedzero yetsumo
• dura remudzidzisi
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaatsanangure manyorerwo erondedzero ine musoro wetsumo.
2. Vadzidzisi vanokurukurirana zvinoreva tsumo dzakapiwa pabhambiri.
3. Mudzidzi umwe neumwe ngaagadzire rongetedzo yerondedzero yake agochinyora
rondedzero yacho.

28
Mudzidzisi edzai kukomekedza zvinotevera.
Chekutanga pakunyora rondedzero yetsumo zvinoda kuitsanangura zvainoreva – vadzidzi vozonyora
rondedzero inova nyaya imwe chete kwete tunyaya nyaya. Nyaya ngaiburitse zvizere zvinoreva
tsumo yaitwa musoro wenyaya. Sekuti pamisoro yakapiwa:
1. Nyaya inogona kuva yemunhu akawirwa nenhamo isingaperi zvose zvaanoita zvoramba
zvichimudzorera munhamo,
2. Nyaya inogona kuva yekuedza kurarama nezvekupiwa nevamwe zvotadza kupedza matambudziko
ari kusanganikwa nawo nemhuri.
3. Nyaya ngaipe ashanda aedza zvidiki diki kana zvakaoma, zvinoshorwa asi zvobva zvamusimudza
kumuisa pane rimwe danho.
4. Nyaya ngaipe vanoshanda tumabasa twakawanda asi iri mhuri imwe chete yozopfuma nazvo.

Cherechedzo: Rondedzero ngadzikurudzirwe kuva neshizha rimwe chete nechidimbu kusvika


mashizha maviri.

5. Ngatitsanangurei
Urongwa hwebhindauko
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvinzvimbo zvingadiwa kuvamba boka revanyori vebepanhau
rechikoro
b) kusarudza vanhu vanotora zvinzvimbo izvozvo zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mienzaniso yemapepanhau akasiyana kuverengera Kwaedza neUmthunywa
• makombiyuta
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavatenderane vabati vezvigaro vavangade muboka ravo revanyori
sokuti munyori mukuru, vanyori venyambo, vanyori vezvidzidzo zvakasiyana,
vanyori vezvemitambo nevamwewo.
2. Mudzidzisi ngaabatsire vadzidzi kudoma zvese zvavangada kushandisa pabasa
ravo rekunyora bepanhau remakombiyuta, nechitsikiso chawo, midziyo
yekutoresa mifananidzo nezvimwe.
3. Vadzidzi ngavaongorore mamiriro emamwe mapepanhau akaita seKwayedza nemamwe
avangawana padandemutande reruzivo.
4. Vadzidzi ngavanyore mwadhi yekukumbira kubvumidzwa kunyora bepanhau
ravo, kuritsikisa nekuritengesa.
5. Vadzidzi ngavatare urongwa hwemamiriro ebepanhau ravo, kana zvichibvira,
mudzidzisi ngaazoronga kuti vadzidzi vashanyire chikoro chiri padyo chatove
nebepanhau racho kuti vatape ruzivo rwemafambisiro avakazviita.

29
6. Ngatitsvakurudzei
Kushava kwenyika
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuwirirana kuti nyika dzinoshava here
b) kudoma nzira dzinoshava nadzo nyika
c) kudoma mapoka nezvirongwa zvine chekuita nekukwidziridza upfumi hwenyika
Zvombo zvingashandiswa
• mukokwa ane ruzivo nezvekutengesa nekutengeserana kwenyika
• bambiri rine mapoka nezvirongwa zvekukwidziridza upfumi hwenyika
Maitirwo echidzidzo
1. Mukokwa anopiwa mukana wekupakurira vadzidzi nezvekushava achinyatsojekesa nzira
dzinoshava nadzo nyika nezvirongwa zvine chekuita nekukwidziridza upfumi hwenyika.
2. Vadzidzi ngavakurukure muchidimbu nzira dzakasiyana dzekushava semunhu umwe chete,
seboka, kana senyika.
3. Vadzidzi pamwe nemudzidzisi ngava kurukure pamusoro pezvinoreva mavara ari pabhambiri.
4. Vadzidzi ngavaite tsvakurudzo dzavo sezviri mubhuku ravo rekuverenga.
Zvimwe zvingabatsira
Vadzidzi ngavatungamirwe kutsvaga ruzivo pamusoro pezvirongwa zvekushava uye kudyidzana
kwenyika mune zveupfumi.

mavo.
Zvinoreva mavara
NOT FOR SALE
Vadzidzi ngavagokewo ruzivo rwokufambisawo zvavo zvirongwa zvekushava pachikoro nemunharaunda

(i) SADC - Southern African Development Community


(ii) ZIM ASSET - Zimbabwe Agenda for Sustainable Economic Transformation
(iii) SME’S - Small to Medium Enterprises
(iv) Cross Boarder Trade Association
(v) Woman’s roundtable
(vi) Kuyedza Women’s club
(vii) ECOWAS – Economic Community of West African States
(viii)EU – European Union

30
Chitsauko
8
Unyanzvi panyaya dzemari
Vavariro
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kutsanangura kukosha kwemari muupenyu hwevanhu
b) kuziva kuti vanhu vaimboita sei pakwakange kusati kwave nemari
c) kuva neruzivo maererano nekuchengetedzwa kwemari, uye zvaingaitwe kuti iberekane
d) kuverenga nhaurirano vachiinzwisisa
e) kutsanangura mhando dzezvivakashure zvemazita

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti mari chii
b) kudoma zvinoshandiswa mari
c) kutsanangura kuti vanhu vaiita sei kusati kwave nemari
d) kutsanangura nzira dzakasiyana dzekubhindauka nemari

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• mapepanhau ane nyaya dzine chekuita nemari
• dandemutande reruzivo
• magwaro ekumatura emari
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekunoita vhendenyuro padandemutande, mumapepanhau kana
mumagwaro ekumatura emari hurukuro iyi isati yaitwa.
2. Mudzidzisi anopa vadzidzi mukana wekutaura zvavanoziva nebasa remari.
3. Vadzidzi vanoita gakava rekuti kuuya kwemari kwakarerutsa upenyu here.
4. Mudzidzisi anozopeta chidzidzo nekupawo pfungwa dzake pamwe nezvaakawanawo mutsvakurudzo
yake.
Zvingabuda muhurukuro
a) Mari chinhu chinozivikanwa nemunhu wese, kubva kuvadiki kusvika kuvakuru, kumakereke
nekudzimba dzekunwira doro. Mari inoita kuti munhu akwanise kutenga zvinhu zvaanoda
kushandisa asi asingakwanisi kuzvigadzira ega. Mari isati yavepo, madzitateguru edu
aitsinhana nezvavainge vainazvo, somuenzaniso, umwe aigona kubvisa huku kuti awane
tswanda kana dengu rechibage nekuti ndiro raanenge achida, uyuwo achida huku. Izvi
zvainetsera kuti hapana aizogona kuziva kuti kukosha kwezviri kutsinhanwa kwakafanana
here.
b) Mukore uno zvakaoma kuti munhu ararame asina mari nekuti chero ukati ndinorima
chibage chesadza pamwe nemuriwo, asika chichada kugaiswa, vamugaisi vanenge
vachida mari yavo. Muriwo kuti unake unodawo mafuta nemunyu, izvo zvinoda mari.
c) Umbavha, upfambi, umhondi, kusavimbika pamabasa, kunetsana kwevakadzi nevarume
mudzimba.

31
d) Kutenga munhu achitengesa, kuchengetesa kudura remari pazvirongwa zvinoita kuti
mari iberekane, kuchengeta huku dzenyama kana dzemazai, kuchengeta zvihuta, kuchengeta
nguruve, kuchengeta hove uye kurima zvirimwa zvinopa mari.
e) Apa munogona kuronga gakava, povana vadzidzi vanotaura vakamirira divi rimwe nerimwe.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zviri mundima zvinoratidza kushandiswa kwemari kune hungwaru
b) kudoma zviri mundima zvinoratidza kushandiswa kwemari zvisina hungwaru
c) kutsanangura nzira dzakasiyana dzekuchengetedza mari
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaverenge hurukuro.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pevatambi vari munyaya nemashandisiro
avanoita mari.
3. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso.
Mhinduro
1. Kutenga mazitye vachitengesa, kurima bindu rine zvizhinji zvavanoshandisa uye kunobatsira
kukanya zvidhinha pane kubvisa iri mari. (3)
2. Kutenga dovi ivo vaine nzungu mudura, kuva nezvikwereti zvakawanda (2)

NOT FOR SALE


3. Chibhorani chekwaMhizha chaisarema sechavo
4. a) Ndimai Midhi. (1)
b) Nekuti vanoita mabasa acho anosvorwa namai Rita sekukanya zvidhinha nekurima bindu
remuriwo, vanofambawo zvakare nemaraini vachitengesa mazitye. (2)
5. Chigojo (1)
6. a) Mashoko akataurwa akavarwadza (2)
b) Kana munhu ataura dambudziko rake anofanira kubatsirwa. (2)
7. a) Ndaishandisa maoko angu kuti ndirime bindu, izvo zvinobatsira kuti mari yandinoburitsa
iite shoma
b) Pane mukana wekuti ndisaburitse mari ndishandise mari, ndaiita saizvozvo.
c) Ndaitsvagawo twunhu twekutengesa kuti mari yangu iberekane
d) Ndaizama nepese pandinogona kusatora zvikwereti (Torai zvitatu) (6)
8. Pfupiso
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa:
- mai Rita vanozivikanwa nezvikwereti asi mai Midhi vanoronga mari zvakanaka chero
vese vachitumirwa mari yakafanana
- nhamo yemvura inoita kuti vanhu vatomboenda kuchibhorani chekwaMhizha
- mai Midhi vanokweretesa vanhu mazitye asi mai Rita vanotokwereta voshaya kuti mai
Midhi vanowanepi mari
- mai Rita vanoyambirwa kusatenga zvinhu zvinopfuura mari yavo, uye kurimawo zvinhu
zvidiki zvakaita semuriwo uye kukuya dovi panzvimbo yekutenga
- kungotenga zvinhu zvisingarimwi zvakaita sesipo nemafuta
- kuenda kunoshandawo kuchivako panekubvisa mari
- kunyara nekutadza kuronga kwamai Rita uye kubvuma zano rinobva kuna mai Midhi
- kutenda kwamai Rita uye kuvimbisa kubvunza rubatsiro kana mwedzi wapera

32
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Fananidzo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvinhu zvinoenderana nefananidzo dzakapihwa
b) kutsanangura kuti fananidzo chii
c) kushandisa fananidzo mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine mhando dzezvirungamutauro
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura nezvefananidzo dziri pabhambiri.
2. Vadzidzi ngavanyore basa iri panguva yechidzidzo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvefananidzo dzakanyorwa mushure mekukwenywa
kwebasa.
Mhinduro
a) Kukara sebere NOT FOR SALE
b) Kuita manyemwe sedhongi riri pachigayo
c) Kuchena musoro semugaisi
d) Kumhanya sekatsuro
e) Kuva nemahobi segudo
f) Kupisa segehena
g) Kutsvuka semhiripiri
h) Kunetsana sevateedzani
i) Kurima sehurudza
j) Kudetemba sanyanduri

4. Ngatiumbei mutauro
Chivakashure chezita
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti chivakashure chii
b) kudoma mhando dzezvivakashure
c) kutsanangura zvinoreva zvivakashure zvakasiyana-siyana
d) kupindura mibvunzo ine chekuita nezvivakashure
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvivakashure

33
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pezvivakashure zvakapiwa pabhambiri.
2. Mudzidzisi ngaatsanangurire vadzidzi pamusoro pezvivakashure zvemazita.
3. Vadzidzi ngavanyore pfungwa dzakakosha mumabhuku avo.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvezvivakashure zvemazita izvi mushure mekukwenywa
kwebasa.
Mhinduro
Vadzidzi vanonyora mazita ari mumupanda 1, 2, 3 kana 4 vomashandura kuti ave emupanda
unotsanangura.
Muenzaniso:
mukomana (1) – kakomana (12)
vasikana (2) – zvisikana (8)

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Kuenzanisa uremu hwemari dzenyika dzakasiyana
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma kuti mari dzakapihwa dziri kutsinhana sei
b) kutsvaka ruzivo rwekutsinhana kwemari vega padandemutande reruzivo
c) kutsanangura kuti mari dzenyika dzakasiyana ndedzipo
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• dandemutande reruzivo
• magwaro ekumatura emari
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita tsvakurudzo pamusoro pekutsinhana kwemari dzekunyika dzakasiyana-siyana
padandemutande kana kubatsirwa nemagwaro ekumatura emari.
2. Vadzidzi ngavaite basa rakapiwa umwe neumwe ari pake ega.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavazokurukura maererano nezvavawana.
Cherechedzo: Tsvagai kuti mari idzi dziri kutsinhana sei nemari yekuAmerica panguva yamuchaita
basa iri, kunyangwe muenzaniso wakapihwa weRand ngaugadziriswe uenderane nezviripo nguva
iyoyo.
a) Pound (Britain)
b) Yuan (China)
c) Kwacha (Zambia)
d) Pula (Botswana)
e) Meticash (Mozambique)

6. Ngatitsanangurei
Mifananidzo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma nzvimbo dzakasiyana-siyana dzinochengeterwa mari
b) kutsanangura kuti sei vanhu vachichengetera mari munzvimbo dzakasiyana idzi

34
Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo yakapihwa mubhuku
• mapepanhau anotaura nezvemachengetero anoita vanhu mari
Maitirwo echidzidzo
1. Vari mumapoka, vadzidzi vanoverenga nezvemachengeterwo emari padandemutande kana
mumapepanhau anotaura nezvemachengetero anoita vanhu mari.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamwe chete maererano nezviri pamifananidzo yakapiwa
mubhuku revadzidzi rekuverenga.
Zvinotarisirwa
Vadzidzi ngavaone kuti vagari vemumadhorobha vazhinji vanochengetera mari dzavo mumatura
emari uye kuti chikamu chikuru chevagari vekumaruwa chinochengetera mari mumba. Izvi
zvingagone kutsanangurwa nekuti mudhorobha mune matura emari akawanda, naizvozvo vagari
vemudhorobha vazhinji vane mukana wekushandisa matura emari. Nerumwe rutivi, tinoona kuti
vagari vekumaruwa havana mukana wakadai nokuti kumaruwa hakuna matura emari akawanda
uye ari kure navo.

Mudhorobha, vanhu vazhinji vanoshanda mabasa anovatambirisa mari naizvozvo mari iyi inofanira
kusvikira kudura remari, izvo zvinovamanikidza kuti vashandise matura emari. Kumaruwawo,
vazhinji vanozviitira mabasa avo izvo zvinoita kuti vagone kurarama vasina kana kumboshandisa
dura remari muupenyu hwavo. Chikamu chidiki chatiri kuona kuti chinoshandisa matura emari,
chinogona kunge chakamboshanda kana kuti varimi vezvirimwa zvemari iyo inozoiswa mudura.
Mudhorobhawo mune chikamu chinochengetera mari mumba. Ava vanogona kuva vari vaya

NOT FOR SALE


vanotengesa mumigwagwa nevamwewo vanongozviitira twunhu twavo.

Avo vanochengetera mari mudzinhare, vamwe vanenge vatumirwa nenzira iyoyo, obva angoisiya
irimo kusvika ava kuda kuishandisa. Izvi zvinoitika kwese kumaruwa nekumadhorobha. Vamwe
ndivo vave kutoshandisa nhare idzi sematura emari dzavo.

Kune vamwe zvimwewo vanogona kunge vachicherera pasi kana kuva nedzimwe nzira dzamunogona
kubuda nadzo muhurukuro yenyu.

35
Chitsauko
9
Zveutano pakuyaruka
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kukurukura pamusoro pematanho anotorwa nemwana kubva pakuponwa kusvika pazera
remakore gumi nemana
b) kukurukura pamusoro pekudziviriwa kwevana kubva kuzvirwere zvitanhatu
c) kutsvakurudza pamusoro pemishonga yaipiwa vana kare kubva kuzvirwere zveucheche
d) kuverenga nekunzwisisa vachizopindura mibvunzo yenzwisiso pamwe nepfupiso
e) kuongorora kukorokotedza kwakasiyana-siyana
f) kunyora rondedzero yetsananguro
g) kutsanangura zvakanyorwa pakadhi rokuchipatara rokuerwa kwevana
h) kupa kukosha kweutsanana mumagariro nemakuriro emunhu

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kubudisa pachena matanho anotorwa nemwana mukukura kwake, kubva pakuzvarwa
kusvika pakuchena musoro

NOT FOR SALE


b) kukurukura pamusoro pedziviriro dzaitorwa pakuchengetedza vana kubva muzvirwere
c) kupa kukosha kweutsanana mumagariro evanhu
Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo yekubaiwa kwevana (Immunisation Programme)
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita vhendenyuro padandemutande reruzivo, hurukuro isati
yaitwa.
2. Vadzidzi vanokurukura nezveutano hwevana mukukura kwavo vachibatsirwa nemifananidzo
yekubaiwa kwevana.
3. Vadzidzi vanodoma zvirwere zvakasiyana-siyana zvinobata vana mumazero akasiyana-siyana.
4. Vadzidzi vanobudisa mishonga yechizvinozvino neiyo yechivanhu vachipa hosha dzainorapa
kana dzainorapa nekudzivirira.
5. Vadzidzi vanotsanangura kuvadzidzi zvakakoshera kuva neutano hwakanaka mukuyaruka
kwavo.
Mhinduro
Vadzidzi ngavatsvakurudze padandemutande reruzivo kana kubvunza vanamukoti mozoenzanisa
zvakawanikwa nezvakawanikwa nemudzidzisi.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzochino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga ndima vachipana zvijana
b) kutsanangura zveutano izvo zvabudiswa muhurukuro yavaverenga
c) kupindura mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso

36
Zvombo zvingashandiswa
• mienzaniso yemakadhi evana ekuchipatara
• bhambiri rakanyorwa mishonga yevana pamazera akasiyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura zvakakoshera kadhi remwana rekuchipatara uye mishonga yakanyorwa
pabhambiri.
2. Vadzidzi vanoverenga ndima yehurukuro vachitsetsenura.
3. Vadzidzi vanonyora zveutano izvo zvashandiswa muhurukuro yavaverenga.
4. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso neChiShona chizere.
Mhinduro
1. Mumwedzi waNdira (1)
2. Vaiva muimba huru yepachikoro (1)
3. Utsanana nekuzvibata pakukura kwavari kuita (2)
4. Mukoti Gudubu, Mukoti Mutsamba naMukoti Njodzi (3)
5 a) Vanoziva zvikuru pamusoro peutano neutsanana (2)
b) Mutererese zvikuru kuno (2)
c) Kuti vatange ivo kudzidzisa vana (2)
d) Hazvikuriri kuti mutendere varume vese vese kungobata (2)
e) Ngatifare tichiziva pokuperera, tisafarisa (2)
6 Ainzi Tatenda
7. Vana vese vadiki vanofanira kuteerera nekuremekedza vaenzi vakuru vanenge vashanyapa
zvikoro, nekuteerera dzidziso yavanenge vachipiwa.
8. Pfupiso
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa:
- Pachikoro cheMunyuki musi weMuvhuro muna Ndira mangwanani.

NOT FOR SALE


- Vadzidzi vose vefomu yokutanga vakaunganidzwa muimba huru yepachikoro apa.
- Muchengeti wevana mai Jacha vakanga vaine vaenzi vezveutano vakanga vakokwa kuzodzidzisa
vadzidzi.
- Vakoti vakadzidzisa ndiMukoti Njodzi, Mukoti Mutsamba naMukoti Gudubu
- Vadzidzi vakakurudzirwa kusamhanyirira kutamba nevasikana kana vakomana nenzira dzisina
kunaka.
- Pautsanana vakadzidziswa kukwesha mazino, kugeza miviri uye kusavirikidza nhumbi.
- Vanonyorovesa uriri vakakurudzirwa kuyanika nekuwacha machira avo
- Vadzidzi vakagona kupindura mibvunzo vakapiwa mibairo.
- Vakazoparara panguva dzokudya kwamasikati.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Misambo: Kukorokotedza
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mazwi anoshandiswa apo panozvarwa mwana sekumuchingamidza
b) kujekesa zvipo zvinopihwa mukukorokotedza kuzvarwa kwemwana
c) kubudisa zvinoitwa pakuratidzira mazuva ekuzvarwa kwevanhu nemichato
Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo ine vachati, vanhu varikupemberera zuva rekuzvarwa kwemunhu

37
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pemifananidzo yevachati kana vanhu vari kupemberera
zuva rekuzvarwa kwemunhu.
2. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pezvipo zvinopuhwa semakorokoto.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavatsanangure izvo zvinoita kuti papiwe makorokoto mukurarama
kweVaShona.
4. Vadzidzi ngavaedzesere mutambo wakaita semuchato vari mumapoka akasiyana-siyana.
Mhinduro
1. Zvipo zvemakorokoto / zvekukorokotedza kuzvarwa kwemwana mumhuri
2. Vanoti, “Ndeedu tese”
3. Tinokorokotedza pane:
- Kubudirira muzvidzidzo
- Pazuva rekuzvarwa kwemunhu
- Pamichato
- Pakukunda pamitambo
- Pakusarudzwa pane zvakakosha

4. Vadzidzi vanogona kupa zvakasiyana-siyana. Gashirai zvamunoona zvine musoro


a) Mari, zvipfeko zvemwana azvarwa
b) Mabhuku egwaro rinotevera, zvimwe zvipo zvezera rake, mari yokutenga zvaanoshuvira
c) Mari, midziyo yemhando dzose, zvipfuyo
d) Midziyo, zvipfuyo, mari
e) Mari, midziyo kana zvekutambisa zvichienderana nezera remunhu arikupemberera.
f) Mari, huku, midziyo.
g) Zvokushongedza imba yekushandira itsva, mari, zviringazuva.
h) Zvipfuyo, midziyo nezvimwewo zvaanofarira

NOT FOR SALE


i) Zvipfeko zvemutambo wacho, mari
Vese avo vanogonawo kupiwa makadhi akanyorwa mashoko egorokoto pamusoro pezvadomwa.

4. Ngatinyorei
Rondedzero yekutsanangura
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuita hurukuro pamusoro peutsanana
b) kupa tsanangudzo yemusoro werondedzero inoburisa kudzivirirwa kwevana kuzvirwere
zvitanhatu kana kutsanangura kuchengetedza utsanana pamusha
Zvombo zvingashandiswa
• midziyo, mari, zvipfeko, mifananidzo yezvipfuyo
• bhambiri rine mazita emishonga yevana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pemidziyo, mari, zvipfeko, mifananidzo yavana uye mazita
mishonga yevana yakapiwa pabhambiri.
2. Vadzidzi vanotsanangura pamusoro peutsanana.
3. Vadzidzi vanonyora rondedzero.
4. Vadzidzi vanoverenga dzimwe rondedzero dzanyorwa nevamwe.
Cherechedzo: Vadzidzi ngavatsanangure zvizere umboo hwechokwadi pamusoro wavasarudza
kunyora.

5. Ngatitsvakurudzei
Zvinangwa

38
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa tsumo dzine chekuita nevana kana kuyaruka kwemunhu
b) kutsanangura tsumo dzine chekuita nevana
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine tsumo
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaape tsumo ine chekuita nemwana agotsanangura zvainoreva.
2. Vadzidzi ngavatsvage tsumo dzine chekuita nevana mumagwaro etsumo voedza kudzitsanangura.
3. Vadzidzi vanodudzira tsumo dziri pabhambiri.
4. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi.
Mhinduro dzinotarisirwa
a) Vanhu vari pedyo newe ndivo vanoziva zvinokunetsa.
b) Unobatsira munhu kuti awane chaanokupawo.
c) Munhu haafambi neukuru hwake kwese kwese.
d) Ukateerera zvinotaurwa paruzhinji unowana chaunobata chinokubatsirawo.
e) Hapana angaziva dambudziko rako kana pasina wawaudza.
f) Munhu anogara achingochema-chema kana kudemba-demba anoshaya anomubatsira.
g) Chinhu chakaipa hachina kuti chidiki.
h) Mwana anotoredzera tsika dzekwaakakurira.
i) Munhu anofarira kufambira kune zvimwe zvaanodawo ikoko.
j) Zviri nyore kushora vabereki panotadza vana vavo kana iwe usina vana vako.

6. Ngatitsanangurei

NOT FOR SALE


Kukura kwemwana
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zviri kubudiswa pagwaro remwana zvinoratidza kukura kunodyidzana nezera
uye uremu padanho rega rega
b) kuziva nguva nezviitiko zvinoitwa nevana pakukura kwavo
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mifananidzo yemazera evana
• makadhi ekuzvarwa evana
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi anotaridza vadzidzi gwaro rekuchipatara remwana rinotaridza zera neuremu.
2. Vadzidzi vanodoma zvavanoona pamifananidzo vachipa pfungwa dzavo pakudyidzana kwezera
neuremu hwemwana pagwaro.
3. Vadzidzi vanopa matanho ose ekukura kwemwana voita vhendenyuro yekutsigira zvavataura
padandemutande reruzivo.
Mhinduro
a) Anofanira kunge ave kurema makirogiramu mapfumbamwe kusvika gumi
b) Kugara nekukambaira
c) Pamutsetse wechitatu kubva pasi kana kumusoro une ruvara rweshizha
d) masendimita makumi manomwe nemasere kusvika pamasendimita makumi mapfumbamwe
nemaviri
e) Mutsetse mutsvuku wokutanga kubva pasi.
f) Kusvika pamakore mashanu

39
Chitsauko
10
Kupindana kwetsika: Kupfimbana
Vavariro
a) Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
b) kunzwisisa kuti kupfimbana patsika dzedu chii
c) kunzwisisa kuti vanhu vanopfimbana paine chinangwa
d) kuziva basa remadzitete nemadzisekuru panyaya dzekupfimbana
e) kutsanangura kuti shanduko nekupindana kwetsika zvakonzera chii pakupfimbana kwemazuva
ano

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangua kuti kupfimbana chii
b) kudoma zvinhu zvinotariswa pakutsvaga shamwari youpenyu
c) kutsanangura basa remadzitete nemadzisekuru pakupfimbana
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• vanaSorojena
Maitirwo echidzidzo
NOT FOR SALE
1. Vadzidzi ngavaite tsvakurudzo padandemutande hurukuro iyi isati yaitwa.
2. Mudzidzisi ngaape mukana vanaSorojena kuti vatsanangurire vadzidzi nezvekupindana kwetsika
vakanangana nekupfimbana.
3. Mudzidzisi ngaape vadzidzi mukana wekutaura pfungwa dzavo, nekuvagadzirisa pavanenge varasika.
4. Mudzidzisi anozopeta chidzidzo nekupawo pfungwa dzake pamwe nezvaakawanawo mutsvakurudzo
yake.
Zvingabuda muhurukuro
Itai hurukuro maererano nekupfimbana muchiedza kupindura mibvunzo yakapiwa

Kune dzimwe nzvimbo vanoti kutsvetsvana vamwewo vachiti kunyengana. Ngazvijeke kuti patsika
dzedu vakomana ndivo vanopfimba vasikana nekuti musikana akapfimba mukomana anoonekwa
senzenza isina kuzvibata. Munhu akapfimba musikana anogona kubvumwa kana kurambwa nekuda
kwezvikonzero zvakasiyana.

Kupfimbana raisava jee pasichigare, chinangwa chaitove chekumisa musha, naizvozvo munhu
waunopfimba unenge watoona akakodzera kuva mudzimai wako, uye munhu waunogona kugara
naye kweupenyu hwako hwose. Mazuva ano vana vava kufunga kuti kupfimbana idambe uye
kungotambisana chete. Vamwewo ndivo vave kuita zvinhu zvisina zera navo mukudanana uku.
Vadzidzi ngavape pfungwa dzavo mudzidzisi achivabatsira kuti vaone kuti munhu anoita sarudzo
dzakanaka kana achinge akura uye munhu anenge awana mukana wekufamba munzvimbo dzakasiyana
achiona vanhu vakasiyana-siyana, okwanisa kusarudza munhu anonyatsomufadza.
Vazhinji mazuva ano vanotarisa chimiro chemunhu votogutsikana kuti vanogona kugara vese
kweupenyu hwese nekuti ayevedzwa nechimiro chemunhu. Hunhu hwemunhu hwakakosha kudarika
chimiro nekuti ndihwo hwunoita kuti agove akavimbika kwauri uye kuti agokwanisa kuwirirana
newe. Chitendero chemunhu ndicho chimwe chakakosha nokuti zvingaome kuti mudanane kana
zvitendero zvenyu zvakasiyana.

40
Taurai nyaya dzekushandiswa kwegwevedzi, kuteverwa kwevasikana kutsime kana kuhuni,
kubatsirwa nemadzisekuru kwevakomana zvinove zvisisaitwe mobva makurukura pamusoro
pezvavekuitwa mazuva ano. Zvakakoshawo kuti vadzidzi vazive zvaidisa mukomana kare zvakafanana
nekugona kuridza ngoma kana kuridza chamboko nezvava kudisa mukomana mazuva ano.
Ngazvijeke kuti kare kacho vaive nebasa rei. Magariro aita vanhu ndiwo ari kuita kuti vazukurusikana
vangoita vatete vekuonera pamufananidzo nekuti dzimwe nguva vanenge vachigara kure chose
nekunogara hanzvadzi dzavo. Pane dzimwe mhuri dzine vana vachiri kuwana rubatsiro kubva
kunana sekuru nanatete panyaya dzekupfimbana.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyurura zviri mundima zvinoratidza kusiyana kwetsika maererano nekupfimbana
b) kudoma zvinhu zvinosiyana pakupfimbana newanano zvichienderana netsika
c) kutsanangura zvavanofunga kuti zvingaitwe kuchengetedza tsika dzechivanhu pakupfimbana
newanano
d) kupindura mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekunoverenga ndima iyi panguva yavo.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro penyaya dzetsika dzekupfimbana dziri mundima.
3. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.

NOT FOR SALE


Mhinduro
1. Kunoita zvidzidzo zvepamusoro. (1)
2. Tsika dzakanaka uye kusaita zvevakomana ari pachikoro. (2)
3. a) Ukaedza kuita zvinhu zviviri panguva imwe chete, panogona kushaya kana chimwe chete
chinobudirira. (2)
b) Mukomana aizoti akada kuedza kumupfimba. (2)
c) Munhu waaizosvika pakuroorana pamwe nekumisa mhuri naye. (2)
d) Aive asisasarudzi kuti mutema here kana muchena. (2)
e) Aifungidzira kuti mukomana acharamba achimupfimba. (2)
4. Mungezi nawechikiwa. (2)
5. Aida kuzobvuma pave paye. (1)
6. Chitsinha munyama unotadzisa munhu kuroorwa. (1)
7. Kaiva kekutanga nekuti akaratidza kusaziva mafambisiro avanoita zvinhu
Pakupfimbana. (2)
8. Aive anzwa kuti vachena havabhadhari roora naizvozvo aisava nechokwadi kuti
vabereki vake vaizomutambira here mukwasha asingabvisi roora. (1)
9. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru dzinosvika nomwe
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

41
3. Ngatirungei mutauro
Madimikira
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsangura zvinoreva madimikira akapihwa
b) kuumba zvirevo vachishandisa madimikira iwayo
c) kushandisa madimikira aya mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine madimikira
Maitirwo echidzido
1. Vadzidzi vanotsanangurirana madimikira ari pabhambiri, vari mumapoka avo.
2. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi.
3. Mudzidzisi ngaasarudze mudzidzi angatungamira hurukuro yemadimikira aya.
4. Vadzidzi ngavanyore zvirevo zvinonyatsoburitsa zvinoreva madimikira aya.
Zvinoreva nadimikira akapiwa
a) kupenga zvisingaiti
b) kunenerwa mhosva
c) kurwadziswa
d) kubuda munyatwa nepadikidiki
e) kudada / kutsvinya / kuzvida
f) kuita chinhu chakaipa chausingagoni kugadzirisa
g) kupererwa nezvokutaura
h) kukundikana / kurega kuita chinhu washaya zvekuita

NOT FOR SALE


i) kuita chinhu nenzira isiyo / kupara mhosva

4. Ngatiumbei mutauro
Mipanda yemazita
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvinoreva mazita akasiyana-siyana
b) kuronga mazita muzvikwata maererano nezvaanoreva
c) kushandisa ruzivo urwu pakuzoisa mazita mumupanda
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine mazita
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaatsanangurire vadzidzi pamusoro penzira iyi yekuisa mazita mumipanda.
2. Vadzidzi ngavaise mazita ari pabhambiri mumipanda.
3. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvemazita aya mushure mekukwenywa kwebasa.
Mhinduro
1. mubako, mundiro, mugomo – mukati mechinhu (nzvimbo)
2. musana, musoro, munwe – nhengo dzemuviri
3. kumusha, kuNkayi, kugomo – nzvimbo iri kure nemutauri
4. midhuri, miti, migwagwa – zvinhu zvakarebenuka
5. kakomana, kandiro, kachembere – kudupuka kwezvinhu pamumhu
6. zigadzi, zirume, zihambautare – kukura zvakanyanya kwechinhu
7. svana, svikomana, svimba – kudupuka chaizvo kwechinhu
8. chisikana, chimai, chana – kuyemurika / kusvoreka kwechinhu
9. upenyu, urombe, unherera - zvinhu zvisingabatiki / zvisingaverengeki
10. kudya, kuba, kufa – zviito

42
5. Ngatishangazhikei pakunyora
Rondedzero
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvinhu zvashanduka pakupfimbana kwevakomana nevasikana
b) kutsanangura zvakanakira kana kuipira nzira dzekupfimbana dzepasichigare
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mapepanhau kana magwaro anotaura nyaya dzekupfimbana
Maitirwo echidzido
1. Vadzidzi ngavaite tsvakurudzo padandemutande, mumapepanhau kana mumagwaro anotaura
nezvekupfimbana vasati vanyora basa iri.
2. Vadzidzi ngavaite basa iri umwe neumwe ari pake ega.
3. Vadzidzi ngavachengete zvinyorwa zvavo munhava yavakagadzirira izvozvo.
Mienzaniso yezvashanduka ndeinotevera:
a) Vakomana vaitsvaga vasikana vematongo, mazuvano vongoti chero.
b) Musikana aimboramba achida kutanga aona kuti mukomana haasi kutamba naye here.
c) Mukomana aizivisa sekuru, hanzvadzi yaamai kana paine musikana waafarira, vomupawo
pfungwa dzavo nezvemhuri yemusikana iyeye.
d) Kana mukomana ainyara, aigona kushandisa gwevedzi asingatyi kutorerwa.
e) Mukomana nemusikana vaipanana nduma kuratidza kurevesa kwavo. Nduma iyi
yaiwanzochengetwa natete vemusikana.
f) Vabereki havaifanira kuziva kana mwana wavo ava nemukomana kana musikana.

NOT FOR SALE


6. Ngatirungei mutauro
Zvirahwe
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kududzira zvirahwe zvakapihwa
b) kutsanangura kukodzera kwemhinduro dzezvirahwe
Zvombo zvingashandiswa
• mukokwa kubva munharaunda
Maitirwo echidzidzo
1. Mukokwa ngaataure nevadzidzi pamusoro pezvirahwe.
2. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite basa arioga.
3. Mudzidzisi ngavatungamire hurukuro ichaitwa mushure mekukwenywa kwebasa.
Mhinduro
1. Ndakwaziswa nevadiki vakuru varipo – kugumburwa nechigutsa
2. Chikomo chinopfungaira mhute - sadza
3. Pota neko tisangane – bhandi kana mbariro
4. Bhuru rangu raenda kunotiva rikadzoka raonda - sipo
5. Rakazvirova rikazhamba - jongwe
6. Simuka tienzane - derere
7. Imba yamai vangu yakamira negumbo rimwe - howa
8. Ndasiya akakombwa hameno akapona - sadza
9. Mbuya vangu kutsvuka vakatsvuka zvavo asi vanoroya - mhiripiri
10. Zvikari zviviri zvinoburana – minzwa

43
Chitsauko
11
Kugadziriswa kwamakakatanwa
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kuburitsa makakatanwa anowanzowanikwa mukugarisana kwevanhu
b) kuongorora nzira dzakanaka dziripo dzokutsvaga rubatsiro pamakakatanwa kuti vanhu
vagare zvakanaka
c) kutsanangura matambudziko anokonzerwa nemhirizhonga mukugarisana
d) kuverenga ndima nekupindura mibvunzo yenzwisiso
e) kuumba nyaudzosingwi kubva pakuchema kana kurira kwezvipuka
f) kudoma mazita emipanda kubva 11 kusvika 15
g) kunyora rondedzero yetsumo

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kukurukura vachipa mienzaniso yemakakatanwa anowanikwa mukugarisana kwevanhu
b) kutsanangura nzira dzakanaka dzingashandiswe mukupedza makakatanwa uye mhirizhonga
mukugarisana
NOT FOR SALE
c) kuumba nyaudzosingwi kubva mukuchema kana kurira kwezvipuka
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita hurukuro yemakakatanwa anounza njodzi muupenyu vachibatsirwa nemudzidzisi.
2. Vadzidzi vanotsanangura mufananidzo wakapiwa mumabhuku avo vachibudisa gakatanwa
riri kubudiswa.
3. Vadzidzi vanoverenga dzimwe nyaya dzemakakatanwa padandemutande reruzivo.
4. Vadzidzi vanopa mazano pamakakatanwa apiwa mubhuku rekuverenga uye avawana
padandemutande reruzivo.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura pfungwa huru yokusagarisana iri kubudiswa mundima
b) kuverenga ndima vadzidzi vachipana nguva
c) kudoma vatambi vari kusagarisana zvakanaka vari kubudiswa mundima
Zvombo zvingashandiswa
• dura romudzidzisi

44
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavanoverenga ndima vari mumapoka avo.
2. Vadzidzi ngavanyore pfungwa huru dzabuda mundima.
3. Vadzidzi ngavapewo pfungwa dzavo maererano neizvo zvingaite kuti vanhu vagarisane
zvakanaka.
4. Vadzidzi ngavaite basa renzwisiso nepfupiso.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. Chenjerai (1)
2. Akanga ashaya mari yechigayo mhuri ndokurara nenzara asi sekuru vake vakanga vaswera
vachinwa zvavo doro pazvitoro. (1)
3. Vakanga vaine pondo yaFumisai. (1)
4. Akati mari yakanga isina kudyiwa nemutorwa
Mari yechigayo akanga atoiwana (2)
5. a) Ndiri kurwadziwa zvakanyanya neshungu pamoyo (2)
b) Nhasi pachaitika zvisati zvakamboonekwa zvinoshamisa (2)
c) Hana ichirova zvakanyanya zvinoonekwa pachipfuva (2)
d) Zvakakosha kuti vanhu vekunze varege kupindira mabopoto pakati pehama
e) Akazvikanda mudziva rine makarwe
6. Kumhanya nesango pasina aimutandanisa. (2)
Kuzvikanda mudziva rine makarwe / ngwena.
7. Vanhu vakachema zvisina kuti murume kana mukadzi (1)
8. Varege kurwisana
Vatsvage vanoyananisa kana kuendesa nyaya dzavo kudare (2)
9. Pfupiso
NOT FOR SALE
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru nomwe.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Nyaudzosingwi
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyurura nyaudzosingwi dziri mundima
b) kutsanangura zvinoreva nyaudzosingwi dziri mundima
c) kukwanisa kupa maririro emhuka vachishandisa nyaudzosingwi
d) kunyora basa ravo vachipa mienzaniso yakazara muChiShona
Zvombo zvingangoshandiswa
• zvitaitai zvine mifananidzo ine mhuka dzakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanonyurura nyaudzosingwi dziri mundima yakapiwa votsanangura zvadzinoreva.

45
2. Vadzidzi vanodoma mazita emhuka dziri pamifananidzo vopawo muchemero wadzo
munyaudzosingwi.
3. Vadzidzi vanozadzisa chirongwa vachishandisa muenzaniso wapuwa.
4. Vadzidzi ngavaumbe nyaudzosingwi kubva pakurira kwezvipuka zvizhinji-zhinji zvavanoziva.
Mhinduro
Chinochema Muchemero
a) Mbudzi meee-e meee-e
b) Gwai mbereee mbereee / bherere bherere
c) Sheche kerekere kerekere
d) Jongwe kukurigo kukurigo-o
e) Bere huuhwi huhwii
f) Gudo homu homu
g) Rusvava n’ee n’ee
h) Njiva kuu-kurugu kuu-kurugu
i) Kuwe kuweee kuweee

4. Ngatiumbei mutauro
Zvikwata zvemazita emipanda 11 kusvika 15
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa mazita anowanikwa mumipanda 11 kusvika 15
b) kudoma chivakashure zvemazita vopa nezita uye zvinoreva zvivakashure zvemazita zvacho

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandisa
• bhambiri rine chivakashure chezita, zvinoreva zita uye muenzaniso wemazita acho
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanotaura zvivakashure zvemipanda 11 – 15.
2. Vadzidzi vanopa mazita emumipanda uye zvaanoreva.
3. Vadzidzi vanokurukura nezvemuenzaniso wakapiwa pabhambiri.
4. Vadzidzi vanonyora basa ravo ranhasi.
Mhinduro dzinotarisirwa
Mazita emipanda iyi anogona kudomwa nevadzidzi akawanda zvikuru. Vadzidzi ngavagone
kuratidza chivakashure nedzitsi pazita remipanda yavadzidza.

5. Ngatirungei mutauro
Musambo: Kugadzirisa nyaya
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa nzira dzokumhan’ara nyaya yakaipa vachipa matanho anogona kutorwa
b) kutsanangura zvizere matanho angaitwa pakugadzirisa mhirizhonga mukurarama kwevanhu
c) kuziva mabasa emapurisa, ivo vasatora mutemo kuuisa mumaoko avo
d) kusaisa mutemo mumaoko avo
Zvombo zvingashandiswa
• Bhambiri rine matanho ekumhan’ara mhosva

46
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita hurukuro pakumhan’ara makakatanwa akasiyana-siyana.
2. Vadzidzi vanojekesa uipi hwemhirizhonga uye zvingaitwa kuzvigadzirisa.
3. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pematanho ekumhan’ara mhosva akapiwa pabhambiri.
4. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Cherechedzo: Vadzidzi ngavadzidzisane nzira dzokumhan’ara nyaya kana kuti makakatanwa kana
aitika uye matanho anotorwa kuitira kuchengetedza upenyu nerunyararo.
Mhinduro dzinotarisirwa
a) Arwiswa padoro anogona kunomhan’ara kumapurisa ari pedyo, zvakare anofanira kukurumidza
kubva paitikira zhowe zhowe senzira yokudzivirira kuenderera mberi kwebope.
b) Ziva kuti munhu uyu ndiani uye kuti anogara papi wozivisa mapurisa ari pedyo. Hazvitenderwi
kuisa mutemo mumaoko ako.
Cherechedzo: Iyo inongova mienzaniso yezviri kutarisirwa kuti vadzidzi vaite. Mudzidzisi
nevadzidzi vanogona kubuda nezvizhinji zvinogona kuitwa vachijekesa matanho anotorwa
pakumhan’ara nyaya.

6. Ngatishangazhikei pakunyora
Rondedzero yetsumo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura tsumo dzakasiyana-siyana

NOT FOR SALE


b) kupa zvinoreva tsumo dzakasiyana-siyana vakanangana nekurarama kwevanhu
c) kunyora rondedzero yetsumo imwe chete ine hurefu hunosvika mashizha maviri
Zvombo zvingashandiswa
• gwaro rine matanho ekunyorwa kwerondedzero
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi nevadzidzi vanotsanangura zvinorehwa netsumo dzakasiyana-siyana.
2. Mudzidzisi anopa mukana mudzidzi mumwe chete kuti arondedzere nyaya inodudzira tsumo.
3. Vadzidzi vanokurukura matanho matatu ayo anotevedzwa pakunyorwa kwerondedzero.
4. Vadzidzi ngavanyore rondedzero ine hurefu hunodiwa pakunyorwa kwerondedzero yetsumo
vachitevedzera matanho ekunyorwa kwerondedzero akapiwa.
Zvokungwarira
- Mudzidzi ngaataridze kuziva zvinoreva tsumo yaasarudza.
- Vadzidzi ngavanyore nyaya imwe chete inoenderera kwete tunyaya nyaya.

47
Chitsauko
12
Dandemutande rokufambisa mashoko noruzivo
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kuziva nzira dzakasiyana-siyana dzinoshandiswa kufambisa mashoko mazuva ano.
b) kuziva kuti vanhu vakasiyana-siyana vari kubatsirikana sei nekuuya kwedandemutande
rokufambisa mashoko noruzivo
c) kuziva zvakanakira nezvakaipira dandemutande rokufambisa mashoko noruzivo
d) kuumba fananidzo dzakakodzera vachishandisa kunge
e) kudoma nzira dzakasiyana dzinoshandiswa kuisa mazita mumupanda

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mhando dzezvinhu zvinoshandiswa kufambisa mashoko
b) kutsanangura kuti vanhu vakadomwa vanobatsirikana sei nekushandisa dandemutande roruzivo
c) kutsanangura zvakaipira nekunakira dandemutande rokufambisa mashoko neruzivo
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• mapepanhau ane nyaya dzine chekuita nedandemutande rokufambisa mashoko neruzivo
• dandemutande reruzivo
• mukokwa anoziva nezvemadandemutande (angava murairidzi weipapo)
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita tsvakurudzo padandemutande kana mumapepanhau
hurukuro iyi isati yatanga.
2. Mukokwa anotsanangurira vadzidzi nezvedandemutande rekufambisa mashoko neruzivo.
3. Mudzidzisi anozopeta chidzidzo nekupawo pfungwa dzake pamwe nezvaakawanawo mutsvakurudzo
yake.
4. Vadzidzi vanonyora zvabuda muboka guru mumabhuku avo.
Zvingabuda muhurukuro
a) Vadzidzi ngavadome zvavanoziva zviri kushandiswa panguva iyoyo. Zvinogona
kusanganisira nharembozha, zvivhiti-vhiti, makombiyuta nezvimwewo.
b) Vadzidzi vanopa pfungwa dzavo, vakanangana nemutengo uye mari inodiwa pakushandisa
nezvimwewo zvingasanganisire kuti zvakatekeshera zvakadii zvekuti munhu wese anogona
kuzvishandisa.
c) - Vadzidzi: vave kukwanisa kuita vhendenyuro netsvakurudzo maererano nezvidzidzo
zvavo, vanogona kuumba mapoka avanokurukura nezvechikoro padzinhare, vanogona
kutaurirana neshamwari kunyangwe dziri kure sei, vanogona kuziva nezvezvikoro
zvavanoda kuzodzidza kunyangwe vasati vasvikako.
- Vabereki: vanogona kuita vhendenyuro yemawanikirwo ezvokudya zvakasiyana,
vanogonawo kutsvaga mazano pakurera vana, vanogona kuita tsvakurudzo yekubatsira
vadzidzi vari kuchikoro, vanoda zvekusona vanogona kuwanawo ruzivo rwakasiyana-
siyana nezvekusona, vanobika vachiwanawo mabikiro akasiyana-siyana.
- Varimi: vanogona kutsvakawo ruzivo rwakasiyana-siyana rwune chekuita nekurima.
Vadzidzi ngavanyore pamakombiyuta zvabuda muhurukuro yeboka ravo.

48
2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zviri mundima zvinoratidza kukosha kwemidziyo inoshandiswa kufambisa ruzivo
padandemutande
b) kudoma kuti dandemutande rekufambisa mashoko neruzivo rinobatsira sei vadzidzi
c) kutsanangura zvakaipira dandemutande rekufambisa mashoko neruzivo
d) kunyora nzwisiso vachipedza muchidzidzo ichi
Zvombo zvingashandiswa
• dura remudzidzisi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoverenga tsamba iri mumabhuku avo
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pechikumbiro chiri mutsamba, vachipawo
pfungwa dzavo.
3. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. Tabikwa Matohwe. (1)
2. Aive mutungamiri wevadzidzi. (1)
3. Itsamba yebasa nekuti ine kero mbiri. (2)
4. Chikoro cheMadondo chichatungamira, vamwe vachitevera. (1)
5. Zvinonzi vakange vatengera vadzidzi makombiyuta mazhinji ekushandisa(2)

NOT FOR SALE


6. Kuti vadzidzi vasakwikwidzane pamidziyo yechikoro yekushandisa padandemutande
Kuti vadzidzi vawane nguva yakawanda yekushandisa midziyo iyi
Kuti vadzidzi vakwanise kuita tsvakurudzo ine chekuita nezvidzidzo zvavo
Kuti vasarambe vachitenga mabhuku emuimba yekuverengera (4)
7. Kutwushandisa panguva isina kukodzera, zvove zvinokanganisa dzidzo
Kutsvagana nezvinyadzi ivo vachifanira kunge vachitsvaga zvechikoro (2)
8. bvumai mhinduro yakatsigirwa zvizere (3)
9. Kudyidzana kwawedzera nokuda kwedandemutande reruzivo (2)
10. Vadzidzisi nevadzidzi pachavo
11. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nonwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe chete (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Fananidzo dzinoshandisa ‘kunge’
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuumba fananidzo dzakakodzera vachishandisa kunge
b) kushandisa fananidzo mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose

49
Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo yezvinhu zvinogona kufananidzwa nazvo zvakaita seshumba, bere
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoumba fananidzo kubva pamifananidzo yakapiwa vopa mienzaniso wechirevo
chine fananidzo yavaumba.
2. Vadzidzi ngavanyore basa iri panguva yechidzidzo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvefananidzo dzanyorwa mushure mekukwenywa
kwebasa.
Mhinduro
Gamuchirai zvirevo zvakakodzera zvanyorwa nevadzidzi.

Cherechedzo: Vadzidzi ngavafananidze nechinhu chinoziikanwa nemunhu wese kwete chavanoziva


ivo vega.

4. Ngatiumbei mutauro
Nzira dzekuisa mazita mumipanda – Sungawirirano yakafanana
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma nzira dzakasiyana dzinoshandiswa kuisa mazita mumupanda
b) kunyurura zita rine sungawirirano yakasiyana neyemamwe mazita akapihwa
c) kushandisa ruzivo rwesungawirirano pakuzoisa mazita mumipanda
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• bhambiri rine mazita
• mabhuku emutauro
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaite hurukuro pamusoro pekuisa mazita mumipanda yavo.
2. Vadzidzi ngavanyurure mazita anesungawirirano kubva pabhambiri kana mumabhuku emutauro.
3. Vadzidzi ngavanyore basa mumabhuku avo.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvebasa iri mushure mekukwenywa kwaro.
5. Mudzidzisi anotsanangura pamusoro pesungawirirano kuwedzera pazvivakashure zvavaita.
Mhinduro dzinotarisirwa
a) musango b) imba c) murume
d) gadzi e) basa f) kapadza
g) muhambautare h) gudo i) Rudo
j) nzenza

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvavari kuona mumufananidzo
b) kudoma matambudziko ari kukonzerwa nedandemutande rekufambisa mashoko neruzivo
c) kunyora zviri kuitika mudzimhuri nekuda kwedandemutande rekufambisa mashoko neruzivo
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mapepanhau nemabhuku emifananidzo anotaura nezvekushandiswa kwedandemutande
rekufambisa mashoko neruzivo

50
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaite basa iri umwe neumwe ari pake ega.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavazokurukura maererano nezvavawana vachibatsirwa nedandemutande
kana mabhuku anotaura nezvekushandiswa kwedandemutande.
3. Mudzidzisi anopa mhetanyaya pane zvakurukurwa.
Hedzi pfungwa dzingangobuda
Mufananidzo uyu uri kuburitsa mazvake mazvake ave kuitika mumhuri, vana havachina nguva
yekukurukura sevakoma nevanin’ina kana hama nehama nekuti vanenge vakabatikana nemitambo
yavanowana patumidziyo twakasiyana-siyana. Vaberekiwo havachina nguva nevana nekuti naivowo
vanenge vakabatikana, vana vakabatikana, naizvozvo hapana anotsvaga umwe. Ndiro rinobva
raita dambudziko rekutanga, kuti
- hapasisina nguva yekutandara semhuri.
- Vana vave kutora dzidziso yavanowana muvhendenyuro dzavo, maererano netsika nemagariro,
zvinove zvinokonzera kuti varase hunhu kazhinji kacho.
- Vadzidzi vari kuparadza nguva yavanofanira kunge vachiita zvechikoro vachitsvagana nezvisina
zera navo.
- Vana votora mapfekero avanoona padandemutande.
- Vamwewo vanobirwa nevanoti vanotengesa zvinhu padandemutande.
- Dzimwe dzimba dziri kutanga vanhu vasangana padandemutande asi unenge uchingova moto
wemashanga usingatani kudzima.
Gamuchirai dzimwe pfungwa dzamuchawana kubva kuvadzidzi.

6. Ngatitsanangurei
Zvinangwa
NOT FOR SALE
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma kuti umwe neumwe wemifananidzo iri pazasi unomirirei
b) kutsanangura basa rechimwe nechimwe chezvinhu izvi
Zvombo zvingashiswa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaite vhendenyuro padandemutande vasati vaita basa iri.
2. Vadzidzi ngavaite basa iri vari mumapoka.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamwe chete maererano nezvavawana.
Cherechedzai
Mashandisirwo ezvinhu izvi anogona kushanduka zvichienderana nekufamba kwenguva, naizvozvo
makasungirwa kuita tsvakurudzo iyi pamwe chete nevadzidzi venyu.

51
Chitsauko
13
Dzokororo yekutanga
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyora rondedzero dzemhando dzakasiyana, dzakanyatsorongeka uye dzine zvirungamutauro
zvakashandiswa nemazvo.
b) kupindura mibvunzo yetsumo, madimikira uye nyaudzosingwi.
c) kupindura mibvunzo yenzwisiso, yekudoma pfungwa, kududzira mazwi nekutsanangura
ndevo uye kunyora pfupiso nemazvo.

Bepa rekutanga
Hurefu: Awa imwe chete nemaminetsi makumi mana nemashanu
Chikamu A: Zvibodzwa 50
Rondedzero
Vadzidzi ngavasarudze musoro yerondedzero yavanoda vonyora rondedzero nemutauro wakanaka,

NOT FOR SALE


vachishandisawo zvirungamutauro zvakakodzera. Rondedzero dzavo ngadzisvike mazwi mazana
matatu kana mashizha maviri.
Pakuongorora rondedzero onai kuti vadzidzi vaburitsa pfungwa dzinoenderana nekutsanangura
zvizere musoro unenge wasarudzwa. Nhanganyaya, mutumbi nemhedziso ngazvive pachena.

Chikamu B: Zvibodzwa 30

2. Nzwisiso
Mhinduro
1. Vanotarisira pfuma yavanozowana mushure mekuroorwa kwake (1)
2. Chiremba nemutungamiri wenyika(2)
3. Kungobvisa mitambo, yatova nyama yemagora (1)
4. Kuita zvinhu zvinoera (2)
5. Akamhanyira kukereke, haana kubatsirwa nekuti mufundisi vainge votomudawo (2)
6. Unoti zviri kunze kwemutemo kuroora kana kuroodza musikana ane makore ari
pasi pegumi nemasere (2)
7. a) vaifarira pfuma yavaizowana mushure mekuroodza mwanasikana (2)
b) vanhu vari kutyora kodzero dzake ndivo variritiri vake (2)
c) mufundisi anongotorawo mwanasikana sezvinoita vamwe varume vazhinji (2)
d) kungoyaruka zvishoma, vabereki votoroodza (2)
e) anenge ava nemazano ekuzvidzivirira (2)

52
8. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru nomwe.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe(7)
Ndima imwe chete (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Kuyerera kwepfungwa (1) (10)
Bepa rechipiri: Zvibodzwa 50
Hurefu: Awa nemaminetsi makumi mana nemashanu
Pindura mibvunzo yose

A. Zvirungamutauro [10]
Pavakaona chisuvi chemba yasahwira wavo, vakabva vati mhere kwetsu / pangu iwo maoko
akabata gotsi. Chichari chaive chakanzi shwe muchiuno ndiye pasi pu / bhi. Vakasvika vari
chamupupuri ndokungonoti mumba maive nechitunha ngori / nyengu ichingova mhere chete.
Nyakufirwa paakangovati ba / bamhana, akabva abongomora mhere inotyisa. Vamwe vaivemo
havana kuridza mhere, asi misodzi yaive yongoti mokoto pamatama. Mushure mekanguva, mumba
umu makanga manzi zii umwe neumwe odzamisa ndangariro. Vese vaive mumba umu maziso
avo ainge ati piriviri / kovoo seanorwadza. Muenzi uya akazongoti nyamu / kwanyanu paainge

NOT FOR SALE


agere, ndiye panze dhugu / dhu kunobata vainge vagere panze maoko.

B. Musambo [10]
a) Muni’nina waamai vako - mainini
b) Hanzvadzi yababa vako - vatete
c) Mwanakomana wemunin’ina waamai vako - munin’ina / hanzvadzi
d) Murume wemukoma waamai vako - babamukuru
e) Hanzvadzi yaamai vako - sekuru
f) Amai vakabereka baba vako - ambuya
g) Mwanakomana wehanzvadzi yababa vako - muzukuru
h) Murume akaroora hanzvadzi vako - mukuwasha / tsano
i) Mukoma wababa vako - babamukuru
j) Mwanasikana wababa vako - hanzvadzi /mukoma

C. Mutauro [30]
1. a) gore
- mvura
- vanhu
- zvinhu
- midziyo
- miti
- hurumende

53
- chikopokopo
- vagari
- zororo
2. a) zita izwi rinoshandiswa kudaidza chinhu naro
b) chivakashure chezita + dzitsi rezita
sokuti:
mu- + -komana
ka- + -rume
c) Kune mazita ezvinhu zvinobatika akaita samunhu, muti, chingwa kozoitawo mazita
ezvinhu zvisingabatike akaita samweya, mhepo.
d) chivakashure chinowanikwa pekutanga pezita uye hachirevi chinhu kana chakamira chega,
chinotozoda kubatanidzwa nedzitsi kuti rive izwi rine zvarinoreva.
3. Isa mazita anotevera muuzhinji. [10]
a) nzou
b) makurukota
c) vashamarari
d) mazuva
e) matambudziko
f) miroro
g) tundiro / twundiro
h) zvitofu
i) nhamo
NOT FOR SALE

54
Chitsauko
14
Kuyaruka kwemwana: Unhu
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kuburitsa tsika dzakanaka dzinotarisirwa pamazera avo panzvimbo dzakasiyana-siyana
b) kuongorora matambudziko anogona kuvawira nekuda kwekurasa hunhu
c) kukurukura zvizere pamusoro petsika dzokurasa unhu dzavari kuonawo
d) kuverenga ndima yenzwisiso vachizopindura mibvunzo yayo nekuita pfupiso
e) kududzira tsumo vachiburitsa rairo / chenjedzo yaibva padziri
f) kuronga mazita muzvikwata zvemipanda yawo
g) kunyora rondedzero yenhaurirano

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvavanoona pamufananidzo wapuhwa zvinotaridza tsika (unhu hwakanaka)
b) kubudisa tsika dzakaipa dzinoitwa nevana mukurarama kwavo
c) kudongonora mabasa aiitwa pasichigare nevanhu vakasiyana-siyana mukuyaruka kwevana

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo inoratidza tsika dzakanaka
Maitirwo echidzidzo
1. Vari mumapoka, vadzidzi ngavaite hurukuro pamusoro petsika dzakanaka nedzakaipa vachishandisa
mifananidzo yakapiwa.
2. Vadzidzi vanotsanangura mabasa evakuru pasichigare mukuyaruka kwevana.
3. Kubudisa mapirwo ari kuitwa dzidziso dzeunhu kuvana mumazuva anhasi uye varikupa.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga vachinzwisisa ndima
b) kunyurura mazwi avanoona matsva vopa zvaanoreva
c) kupindura mibvunzo nekuita pfupiso
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoverenga ndima yakapiwa mumabhuku avo.
2. Vadzidzi vanopa nekutsanangura zvinoreva mazwi matsva abuda mundima.
3. Boka roga roga rinoburitsa zvakaipa zvakaitwa nevadzidzi vari mundima.
4. Mudzidzi umwe neumwe anonyora mhinduro dzemibvunzo yenzwisiso nepfupiso.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. Vakatiza vari vana. (1)
2. Rima guru raiveko musi uyu. (1)
3. Muchuru chaiva mukasango kekunze kweruzhowa rwechikoro. (1)
4. Wise Owl Hotel (1)

55
5. a) Kudya kwemanheru (2)
b) Havana kuonekwa murima (2)
c) Muchengeti wevadzidzi vanoti vane nzeve dzinonzwa chaizvo (2)
d) Twunzira twudiki twemusora (2)
e) Rwendo rwukatadza kubudirira (2)
6. Inga pasi pamera ziso
- kusimuka vachinzvenga usiku nekubindu vasingabudi nepasuo guru
- kunopfeka mbatya dzekumba dzavaigarisa muchuru
- kuchengetera nhumbi dzekumba kuchuru
- kuchengeta zvinodhaka
- kupinda muimba yekunwira doro nekutandarira vari vadzidzi
- kunwa doro
- kutiza pachikoro vachienda kuWise Owl Hotel
- kutamba kusina unhu
- kutorwa kwevasikana nevarume vachinobhadharisa sepfambi. (1)
7. - kusimuka vachinzvenga usiku nekubindu vasingabudi nepasuo guru
- kunopfeka mbatya dzekumba dzavaigarisa muchuru
- kuchengetera nhumbi dzekumba kuchuru
- kuchengeta zvinodhaka
- kupinda muimba yekunwira doro nekutandarira vari vadzidzi (2)
8. - kunwa doro
- kutiza pachikoro vachienda kuWise Owl Hotel
- kutamba kusina unhu
- kutorwa kwevasikana nevarume vachinobhadharisa sepfambi (2)
9. Vakadzingwa chikoro (1)
10. Pfupiso
NOT FOR SALE
Pfungwa huru dzinotarisirwa kuburitswa:
- Rudo, Jowero, Togarepi, naRumbidzai vakapoya pachikoro usiku zviri kunze kwemutemo
- Vakapfeka nhumbi dzavo dzavaichengetera muchuru
- Vakakwira muchovha waienda kwaMutare muchivande
- Vakasvikira kunwa doro nekutamba muWise Owl Hotel
- Vakaonekwa naVaJuru mukuru wepachikoro pavo
- VaJuru vakaridzira muchengeti wevadzidzi pachikoro nhare kuti vauye nehambautare kuti
vatore vadzidzi ava.
- Vakamboedza kukumbira ruregerero zvikakona
- Vabereki vavo vakadeedzwa kuchikoro vakabva vatoenda vose sezvo vaive vadzingwa chikoro
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe chete (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Tsumo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvinorehwa netsumo izvo zviri kubudiswa mundima
b) kunyora tsumo gumi dzavowo pachawo

56
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine tsumo dzinotsanangura unhu / tsika
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaite tsvakurudzo yetsumo dzinotsanangura unhu kana tsika padandemutande.
2. Vadzidzi ngavaite hurukuro yezvetsumo dziri pazvitaitai.
3. Vadzidzi vanonyora tsananguro dzetsumo dzakapihwa.
Mhinduro dzinotarisirwa
a) Munhu / mwana anofanira kurangirwa / kubatirwa paatadzira
Dzidziso -ukatadza unorangwa
b) Mubereki kwaye anogona kuita vana vane tsika dzakaipisisa
Dzidziso - misikanzwa yevana haisi mhosva yevabereki.
c) Kuzodemba watopinda mudambudziko kuti dai ndisina kuzviita hazvinyanyobatsira.
Dzidziso – rega chakaipa usati wachiita
d) Munhu wese asina mwana anoona sekuti inyore kwazvo kuraira mwana.
Dzidziso – mwana anogona kunetsa kuraira nekudaro musati vane vana vane misikanzwa vari
kushaya anorova kana kuraira / kutsiura.
e) Rega kuita matambudziko okuzvitsvagira, wanikwawo nemamwe anongokuwira uchiedza
kuita zvakanaka.
Dzidziso – dzikama uri pauri kwete kutsvaka matambudziko kana kuita nzendo dzemisikanzwa.
f) Kana usina mhanza yakanaka rega kungobatana nevamwe pakuita zvakaipa.
Dzidziso – rega kutevedzera zvose zvose zvakaipa, unoita munyama ukabatwa.
g) Ukatangidzira kuita misikanzwa yawambenge usina unobatwa musi iwoyo.
Dzidziso – kutevedzera tsika dzisidzo uchiti vamwe vave nenguva vachizviita unobva wabatwa

NOT FOR SALE


nezuva rekutanga chairo.
h) Ukabatana nevanoita zvakaipa newewo watova muiti wezvakaipa.
Dzidziso – buda muvaiti vezvakaipa
i) Ukavanza muiti wezvakaipa unogona kupindawo mudambudziko
Dzidziso – rega anoita zvakaipa aite oga usabatsira.
j) Kana waita nyaya yako yakaoma wotogamuchira murango wacho.
Dzidziso – usatiza kurangwa kana watadza

4. Ngatiumbei mutauro
Mipanda yemazita
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa mipanda yemazita apuhwa
b) kuisa mazita muzvikwata vachishandisa zvivakashure uye zvaanoreva
c) kuronga zvine unyanzvi mazita apuhwa
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine zvivakashure
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi nomudzidzisi vanopa mazita akasiyana-siyana.
2. Vadzidzi vanoronga mazwi apihwa muzvikwata zvitanhatu vachitarisa zvivakashure zvemipanda
zviri pazvitaitai.
3. Vadzidzi vanonyora basa ravo remipanda yemazita.

57
Mupanda 5 Mupanda 3 Mupanda 1
sadza musha,mutsubvu muroyi
shura muti mudzidzi
gumbo mugoti mukadzi
musoro

Mupanda 17 Mupanda 18 Mupanda 16


kugomo mugomo pagomo
kumutsvubvu mumunda pachitoro
kuchigayo mungoro pamutsubvu

5. Ngatishangangazhikei pakunyora
Hurukuro kana nhaurirano
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura manyorerwo erondedzero yehurukuro
b) kupa vatambi mazita anoenderana nehurukuro yavari kutaura nezvayo
c) kunyora hurukuro ine hurefu hunotarisirwa
Zvombo zvingashandiswa
• mabhuku emitambo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoverengerana mutambo mumwe chete kana miviri kubva mumabhuku emitambo.
2. Vadzidzi vanotsanangura nhanganyaya yerondedzero yehurukuro,

NOT FOR SALE


3. Vadzidzi vanobudisa urongwa hune unyanzvi pakuronga vatambi murondedzero yenhaurirano.
4. Vadzidzi vanonyora hurukuro inoburitsa tsika / unhu hwakaipa hunoitwa nevadzidzi.
Cherechedzo: Rondedzero ngaipe nhanganyaya, mutumbi panova ndopane vatambi vari kutaurirana,
uye mhedziso, ndima imwe chete yekupendera hurukuro

6. Ngatitsvakurudzei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuwana ruzivo nezvemitemo inopiwa nemadzishe
b) kutsanangura kuti sei pane vanonzi havafaniri kuroorana
Zvombo zvingashandiswa
• vakokwa vanogona kuve ishe, sadunhu kana sabhuku
• mabhuku ezvetsika nemagariro eVaShona
Maitirwo echidzidzo
1. Vakokwa ngavataure nezvemusoro wechidzidzo.
2. Vari mumapoka, vadzidzi ngavakurukure kunaka kana kuipa kwemimwe mitemo yemunharaunda
vachishandisa mabhuku ezvetsika nemagariro eVaShona.
3. Vadzidzi ngavanyore surudzo yezvakurukurwa vagoisa basa ravo munhava dzavo.
Zvingabuda mutsvakurudzo
- Mitemo inobata zveminda nekugovewa kwayo
- Mitemo yezvekubika doro rakasiyana-siyana
- Mitemo yezvendufu
- Vanhu vasingabvumidzwi kuwanana nezvikonzero zvacho

58
Chitsauko
15
Kurima
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kuziva mhando dzakasiyana dzezvirimwa
b) kudonongodza matambudziko ari kutarisana nevarimi vanhasi
c) kuziva mamiriro ematunhu akasiyana-siyana emuZimbabwe
d) kuziva tsanangudzo dzemadimikira
e) kuburitsa nzira dzekuisa mazita mumipanda

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti kurima chii
b) kudoma zvirimwa zvakasiyana-siyana zvinorimwa muZimbabwe
c) kutsanangura kuti mushandirapamwe urikuitwa nenzira dzipi mazuva ano pakurima
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• dandemutande reruzivo
• magwaro eboka revarimi (ZFU)
• mukokwa kubva kubato rezvekurima
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi anopa vadzidzi mukana wekutaura zvavanoziva pamusoro pezvirimwa zvemuno
nenzvimbo kwazvinorimwa chaizvo.
2. Mudzidzisi anogadzirisa vadzidzi pavanenge varasika.
3. Mudzidzisi anopa mukokwa mukana wekutsanangurira vadzidzi pamusoro pezvekurima, kana
kuvapa mukana wekuita vhendenyuro padandemutande reruzivo.
4. Mudzidzisi wechidzidzo chekurima anogona kukokwa kuzobatsira pahurukuro iyi.
5. Mudzidzisi anozopeta chidzidzo nekupawo pfungwa dzake pamwe nezvaakawanawo mutsvakurudzo
yake.
Zvingabuda muhurukuro
a) Vadzidzi vanogona kuti ivhu, mombe, gejo badza nezvimwewo zvakawanda zvine chekuita
nekurima.
b) Mushandirapamwe wekubatsirana pakurima uchiri nenzvimbo chose mukurima kwanhasi,
zvikuru kumaruwa nokuti magariro evanhu haana kushanduka pane zvaaive ari pasichigare.
Varimi vemumapurazi vanogona kuona zvakaoma kuita mushandirapamwe werudzi urwu,
asi kana paine kuwirirana, hapana chinokona. Vamwe vanoita zvekukandirana mari
dzekutenga mbeu, kusvika vese vatenga, inove nzira yekubatsirana pakurima. Naizvozvo
kubatsirana pakurima kune nzvimbo kuvarimi vanhasi asi maitiro acho ndiwo asiyana
nekuita nhimbe.
c) Mukwerera waiitwa nechinangwa chekukumbira kuvadzimu kuti mvura inaye. Chirongwa
ichi chaitungamirirwa nesvikiro, kuburikidza naIshe. Paibikwa doro iro raibikwa nechembere
dzaguma ura, vachibatsirwa netusikana twusati twoziva varume kana kutevera. Chimera

59
chaipiwa madzimai ese kuti akuye, mazuva avaive nechimera ichi mumba havaitendedzwa
kusangana nevarume vavo. Kana doro raibva, mutambo uyu waizoitwa, kazhinji waiitirwa
mugomo uyewo zvinonzi nguva zhinji vanhu vaitozobva kugomo uku vave kunayiwa.
d) Zvave kuitwa mazuva ano nekuda kwekushanduka kwekunze
- Kukohwewa kwemvura, paya painonaya yakawanda
- Kudiridza zvirimwa nemapombi
- Kukurudzira varimi kurima mbesa dzisingadi mvura zhinji uye dzinobvumwa neivhu
ravo.
- Kuzama kunzwisisa shanduko yaitika kumamiriro ekunze, vanhu vodyara mbeu panguva
inoenderana nemwaka.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyurura zvirimwa zvakasiyana zviri mundima
b) kudoma zvipfuyo zvakasiyana zvavanowana mundima
c) kutsanangura nzira dzakasiyana dzekurima
d) kupindura mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso
Zvombo zvingashandiswa
• magwaro ebazi rinomiririra varimi

NOT FOR SALE


Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuverenga magwaro ebazi rinomiririra varimi.
2. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekunoverenga ndima iyi panguva yavo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pepfungwa dzakakosha dziri mundima.
4. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. Chibage, nzungu, donje, fodya (4)
2. Mombe, mbudzi nehuku (3)
3. Nekuti ndiye aive mudiki pavana vose vaivepo (1)
4. Kwaive pedyo nerwizi izvo zvaizovarerukira pakudiridza (2)
5. Chamboko (1)
6. Kwete, handimusvori. Munhu ukaona njodzi, zvakakosha kuchengetedza upenyu. (2)
7. Kupfurwa nemakumbo eshure, kutungwa kana kutsikwa . Kana munhu achitevera mombe,
haafaniri kuva pedyo pedyo nadzo. Munhu anofanira kusuduruka kana aona kuti mombe iri
kuda kumutunga. (4)
8. Kutiza kwemombe dzichimhanya chaizvo dzakasimudza miswe. (2)
9. Kugadzira micheka (1)
10. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru dzepfupiso kubva mundima.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

60
3. Ngatirungei mutauro
Madimikira
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvinoreva madimikira akapihwa
b) kunanganisa madimikira akapihwa netsananguro dzakakodzera
c) kushandisa madimikira aya mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose.
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvirungamutauro
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita hurukuro yemadimikira ari pabhambiri rine zvirungamutauro.
2. Vadzidzi ngavanyore basa iri umwe neumwe ari pake ega.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvemadimikira aya.
Mhinduro dzingatarisirwa
a) Kuigochera pautsi – kuzvipinza mutsekwende
b) Kuita ruoko – kuba kunenge kweshavi
c) Kudya nhoko dzezvironda – kutambudzika nokushaya zvinoraramisa
d) Kupinda nemwenje mudziva - kufarisa
e) Kushaya ganda kumeso - kusanyara
f) Kugarira guyo sembwa – kumirira munhu asingauyi
g) Kutsenga mvura ichibuda masvisvinwa - kudada

NOT FOR SALE


h) Kubaiwa panyama nhete – kurwadziswa zvakanyanya
i) Kuva nomukaka pamhuno – kuva mwana mudiki
j) Kudya marasha – kupenga

4. Ngatiumbei mutauro
Nzira dzekuisa mazita mumipanda
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura nzira mbiri dzekuisa mazita mumipanda
b) kupa mienzaniso yemazita aiswa mumipanda kuchishandiswa nzira idzi
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine nzira dzekuisa nadzo mazita mumipanda
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi anotsanangura nzira dzekuisa nadzo mazita mumipanda.
2. Vadzidzi vanoita hurukuro yenzira dzekuisa nadzo mazita mumipanda dziri pabhambiri.
3. Vadzidzi vanopuhwa mukana wekupa mienzaniso yemazita ari mumupanda mumwe chete.
4. Vadzidzi vanonyora basa rakapihwa.
Mhinduro
Cherechedzai kuti mienzaniso yapiwa ndiyo inopindirana nenzira mbiri dzadzidzwa.

61
5. Ngatishangazhikei pakunyora
Matunhu ekurima emuZimbabwe
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma matunhu emuZimbabwe vachishandisa manairo emvura
b) kutsanangura manayiro emvura mudunhu rega rega
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mapepanhau kana mabhuku anotaura nyaya dzekurima
• magwaro evarimi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavabatsirane patsvagurudzo yebasa iri padandemutande reruzivo, mumapepanhau
kana mumagwaro evarimi..
2. Vadzidzi ngavape zvavawana kuboka guru.
3. Mudzidzi umwe neumwe ngaanyore basa rake.
4. Vadzidzi ngavachengete zvavawana muhomwe dzavo dzekuchengetera zvinyorwa.
Muenzaniso wezvingabuda
Dunhu Huwandu hwemvura Dunhu
mumamirimita
Rekutanga 1000 Chibage, nyama, michero,

NOT FOR SALE


kofi, mukaka
Rechipiri 700-1000 Chibage, fodya, donje,
nyama
Rechitatu 500-800 Mombe dzenyama, donje,
fodya
Rechina 450-650 Mombe dzenyama,
miti, mhuka dzesango,
zvirimwa zvisingadi
mvura yakawanda
Rechishanu 45 Mombe dzenyama,
mhuka dzesango

6. Ngatitsanangurei
Matunhu emuZimbabwe
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma nzvimbo dzinowanikwa matunhu akasiyana
b) kutsanangura manayiro emvura munzvimbo idzodzo
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mufananidzo wematunhu eZimbabwe
• magwaro ezvekurima

62
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite basa ari oga achishandisa mufananidzo wematunhu eZimbabwe.
2. Vachishandisa dandemutande reruzivo, mudzidzisi ngavatungamire hurukuro ichaitwa mushure
mekuongororwa kwebasa revadzidzi.
Muenzaniso wezvingabuda

Dunhu Nzvimbo Maguta

1 Manicaland Nyanga, Chipinge


2 Mashonaland East, West, Central Harare, Chinhoyi,Mazowe
3 Midlands Gokwe, Kadoma
4 Matabeleland North, Masvingo Bulawayo, Masvingo
Matabeleland South, Masvingo Beitbridge, Hwange, Kariba,
Chiredzi

NOT FOR SALE

63
Chitsauko
16
Ndufu
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kukurukura pamusoro pendufu vakanangana nezvinokonzera uye kuedza kurwudzivirira
b) kutsanangura tsika dzinoitwa panovingwa vafa
c) kupawo mazano anogona kuderedza njodzi dzinokonzera rufu
d) kududzira zvizere tsumo dzinotaura nezverufu
e) kudzidzisana kubata maoko uye zvakwakakoshera
f) kunyora rondedzero yetsananguro inemwero unotarisirwa

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kukurukura pamusoro pendufu nezvakakonzera ndufu dzakasiyana-siyana nokupa kudzivirirwa
kwadzo
b) kutsanangura zvinoitwa parufu rwevanhu vakasiyana-siyana, sepafiwa nemwana, munhu
azviuraya, magamba enyika kana madzishe

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo yevanhu vari paguva
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi pamwe nemudzidzisi ngavaite hurukuro pamusoro pechinonzi rufu uye zvinokonzera
rufu.
2. Vadzidzi ngavakurukure nezvemifananidzo yevanhu vari paguva yavari kuona vachitsanangura
zvinoitwa parufu rwevanhu vakasiyana-siyana.
3. Vadzidzi ngavatsanangure matanho anoitwa pakuvigwa kwemufi munzvimbo
dzakasiyana-siyana.
4. Vadzidzi ngavabudise pachena nzvimbo dzavanoziva dzinovigwa vafi dziri munyika.

Cherechedzo: Vadzidzi ngavaite hurukuro ichavabatsira kunzwisisa zvizhinji pamusoro perufu.


Bhuku ravo richabatsira nedzimwe pfungwa dzingakurukurwa nezvadzo panhau yerufu.

2. Ngativerengei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi,vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga detembo vachitsetsenura
b) kupa izvo zviri kubudiswa mudetembo
c) kunyurura pfungwa huru dzabuda mudetembo, Kundorasa mhandara
Zvombo zvingashandiswa
• mufananidzo wevanhu paguva, vamwe vanochema

64
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoverenga detembo vachipana zvijana vozokurukura nezvemifananidzo wevanhu
vari parufu wavari kuona.
2. Vadzidzi vanonyurura / kudzumburura pfungwa huru dziri mudetembo.
3. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yapihwa vachinyora neChiShona chakazara.
4. Vadzidzi vanonyora pfupiso vachishandisa pfungwa huru dzavadzumbunura mudetembo,
Kundorasa mhandara.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. Zvinoreva kuti hapana anogona kupedza rufu. (1)
2. Rufu runotora mazera ose. (1)
3. Runokubvuta kana kukubvutirai. (1)
4. Vanhu vanorwadziwa zvakanyanya nguva dzose pavanofirwa zvisinei kuti vakambofirwa. (1)
5. a) Mugosara mopumhana uroyi. (2)
b) Nhasi vari pachuru kucherera mhandara. (2)
c) Rwunovinga tese nesuwo tichatevera. (2)
d) Firo yacho mumwe nemumwe yake wakagovanisa. (2)
e) Mapani azarazve marinda evacheche. (2)
6. Vanovigwa muninga yakavigwa mamwe madzishe edzinza ravo. (1)
7. Vanorara misodzi iri pamatama. (2)
8. Anonzi pfunda. (1)
9. Gangaidza mukwenyi mhezi yavavira mumoyo. (1)
10. Vadzidzi ngavaburitse pfungwa nomwe dzinobuda mudetembo, voronga pfungwa idzi mundima
imwe chete inoyerera zvakanaka nemazwi avo. (10)

NOT FOR SALE


Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatizivei mutauro
Tsumo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvinoitika parufu zvichibudiswa netsumo dzapihwa
b) kupa tsumo dzinobudisa pachena ndufu dzakasiyana-siyana
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine tsumo
• dura romudzidzisi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopa tsumo dzinotaura zverufu semienzaniso.
2. Vadzidzi vanotsanangura tsumo dzavapa nedziri pazvitaitai.
3. Vadzidzi vanobudisa tsumo dzavapuhwa dzinotaura pamuroso perufu.
4. Vadzidzi vanonyora zvinorehwa netsumo zvine chokuita nerufu.
Cherechedzo: Muchidzidzo chino vadzidzi ngavadzidze zvizhinji pamusoro pemachemerwo
akasiyana anoitwa rufu kubva patsumo dzaishandiswa.

65
Mhinduro
Vadzidzi vanogona kuita tsvakurudzo vagounganidza dzimwe dzetsumo dzavangawana pamusoro
pedziri mubhuku ravo.
a) Munhu akakosha akafa kana kubva panzvimbo, panoiswa mumwe anotora nzvimbo yake.
b) Mai vakafa pamusha vana vanotambudzika nekushaya wekuseka naye.
c) Munhu wese anotya rufu zvekuti akanzwa kuti rwauya, dai zvaibvira aitotiza chaizvo.
d) Zvinofadza kana vanhu vachikokerana chinhu chakanaka kwete chakaipa.
e) Kunyika dzose kunofiwa zvekuti kwese kwese kune makuva.
f) Chinhu chose chaunoita chinotoitwa uri mupenyu. Kana wafa kunamata hazvichagoni.
g) Pamusha pakafa mubereki kana muriritiri wemhuri vanga vachichengetwa vaya vanopararira
kwose kwose kana kuti zvose zvinobva zvaparara.
h) Ukaita chakaipa chimwe chinogona kukuurayisa.
i) Munhu anenge afirwa anoonekwa nekusuwa kana nemusoro wakagerwa.
j) Munhu wese anofa achivigwa pasi. Ipo panoramba pachitora nyange vakaita sei.

4. Ngatiumbei mutauro
Kurongwa kwemazita mumipanda
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura nzira dzekuisa mazita mumipanda zvakakwana
b) kuisa mazita avanenge vapiwa mumapoka emipanda
c) kupatsanura zvivakashure nemadzitsi emazita

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine mazita mumipanda
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi nevadzidzi vanodzokorora nzira dzavakaita muzvidzidzo zvapfuura.
2. Vadzidzi vanopa zvivakashure zvemupanda nekupa mazita anopindirana nazvo.
3. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pemazita ari pazvitaitai.
4. Mudzidzisi nevadzidzi vanopawo kudyidzana pakati pemupanda 1 ne2.
5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.
Mhinduro dzinotarisirwa
Vadzidzi vanogona kupa mhinduro dzakasiyana-siyana asi ngwarirai kuti hapana mamwe mazita
emupanda 3 kana 18 apiwa here.

5. Ngatiitei misambo
Kubata maoko
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kukurukura zvinoitwa panenge pafiwa sokubata maoko
b) kujekesa zvakakoshera kuchemana muupenyu hweVaShona
c) kubudisa zvinobviswa pafiwa

66
Zvombo zvingashandiswa
• midziyo yakaita sendiro, mabhodho nemimwe inoshanda parufu
• mifananidzo ine midziyo inoshandiswa parufu
• edzesero yezvinoitwa parufu, kubva musi wafa munhu kusvika musi waanochengetwa
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi nevadzidzi vanoita hurukuro inobudisa zvinoitwa pafiwa sokuti mabasa anoitwa
nevakadzi uye anoitwa nevarume.
2. Vadzidzi vanotsanangura mabasa emidziyo yakaita sendiro nemabhodho nemimwe inoshanda
parufu.
3. Vadzidzi vanodoma zvinogona kubviswa sechema panhamo.
4. Vadzidzi pamwe nemudzidzisi vanodonongodza tsika dzinotevedzwa pafiwa sekutenderedza
chitunha.
5. Vadzidzi vanoita kamutambo kanobudisa zvinoitwa panenge pafiwa kubva musi wafa munhu
kusvika paanochengetwa.

Vadzidzi ngavaite mutambo vachiedzesera zvinoitwa pafiwa pakuchema nekubata maoko. Cherechedzai
mashoko anoshandiswa, masvikiro nezvimwewo zvingabatsira pamusambo uyu. Vanhu vanenge
vakapfeka sei?

6. Ngatinyorei
Rondedzero yetsananguro
Zvinangwa

NOT FOR SALE


Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuita hurukuro vachipana manyorerwo erondedzero yetsananguro
b) kutsanangura kuti rondedzero yetsananguro yakaita sei
c) kujekesa matanho emanyorerwo etsanangudzo
d) kunyora rondedzero ine hurefu hunosvika shizha rimwe chete nechidimbu
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine matanho ekunyora rondedzero yetsanangudzo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopa tsananguro dzezvinoitwa panenge pafiwa.
2. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanotaura zvinobviswa kupa vafirwa.
3. Mapoka anopa zvaawana kuvadzidzi vose, mudzidzisi achitungamirira kugowiwa kwepfungwa.
4. Vadzidzi vanonyora rondedzero dzavo umwe neumwe ari pake ega, vachitevedza matanho
ekunyora rondedzero ari pabhambiri.

Cherechedzo: Kana mudzidzisi okwenya basa revadzidzi, ngaaongorore kuti zvikamu zverondedzero
zviri kubuda pachena here.

67
Chitsauko
17
Wanano
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kudoma nzira dzakasiyana-siyana dzekuroora dzaishandiswa pasichigare nedzaveko mazuva
ano
b) kujekesa zvakanakira nezvakaipira nzira imwe neimwe inoshandiswa kana yaishandiswa
pakuroora
c) kutsanangura mafambisirwo ezvinhu pakubvisa pfuma
d) kutsanangura zvimwe zvipeto zvinoshandiswa pakuroorana
e) kutsanangura musiyano uripo pakati peenzaniso nefananidzo

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma nzira dzakasiyana dzekuroora
b) kutsanangura mafambisirwo anoitwa nzira imwe neimwe
c) kutsanangura zvakaipira kana kunakira nzira dzekurorana dzakasiyana-siyana

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• mukokwa anova nyanzvi panyaya dzewanano
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi anopa vadzidzi mukana wekutaura zvavanoziva maererano nezvewanano.
2. Mudzidzisi anopa mukokwa mukana wekutaurira vadzidzi pamusoro petsika yewanano.
3. Mudzidzisi anoverenga kubva mune rimwe remabhuku anotaura nezvenzira dzekuroorana
kana padandemutande.
4. Mudzidzisi anotsanangura maererano nenyaya yekodzero dzevanhu uye kuti dzinotadzisa sei
dzimwe nzira dzekuwanana dzaiitwa pasichigare.
5. Vadzidzi vanopiwawo mukana wekupawo zvavanofunga nezvekodzero dzaveko muzuva
ranhasi.
Tsananguro dzenzira dzokuwanana
a) Chimhurira: Chimhurira chaiitwa nemukomana anenge aona musikana waanoda. Anogona
kunge akamboedza kumupfimba asi achirambwa. Kana ainge agutsikana kuti chokwadi haasi
kuzobvumwa nemusikana uyu, ndipo paaizofunga kuita zvechimhurira. Aitsvaga munyai
wekutuma, uyo aingosvikawo semasvikiro anoita vaya vanokumbira. Munyai aibva ajekesa
kuti painge pasina chibvumirano pakati pemukomana nemusikana. Nyaya iyi yaizopirwa
kuna tete vemusikana, musikana uya ozoziviswa. Musikana aigona kumboramba, asi aiudzwa
kuti murume asundirwa nemidzimu haarambwi nekuti zvaigona kuzomupa munyama, izvo
zvaizoita kuti abvume. Kana musikana angobvuma, pfuma yaibva yabviswa kumadzitezvara,
musikana otoenda kumurume wake.
b) Kuganha: Kuganha kwakangofanana nechimhurira, mutsauko uripo ndewekuti musikana

68
ndiye anoenda kumukomana waanenge achida. Kazhinji anenge ambozamawo chaizvo kumirizika
pamberi pemukomana uyu asi mukomana asingambomucheuki. Musikana aizongorongedza
tundu yake onogara nechekunze kwemusha wemukomana waari kuda kusvika aonekwa.
Aizotaurawo zvaainge avinga, madzimbuya kana madzitete votaura naye kuti vabate chokwadi
chezvaafambira. Mukomana aizosumwawo nezvemweni uyu asi kazhinji aitanga nekuramba
nekuti dzimwe dzenguva anenge achitofambidzanawo neumwe musikana. Nyaya yekuti mukadzi
uyu anenge asundirwa nevadzimu, kazhinji ndiyo yaizoita kuti mukomana uyu atambire
musikana uyu, kunyangwe anga asina shungu naye.
c) Kutizira: Kutizira kunotangwa nemusikana, kazhinji anenge oona kuti mukomana amunonokera,
dzimwe nguva anenge asingachanzwisisi kuti mukomana wake amire papi chaipo. Nguva
zhinji musikana anotizira anenge ava nepamuviri. Musikana haawanzosimuka ari ega, asi kuti
anotoperekedzwa natete kana mbuya kuti vaone kuti atambirwa kumusha kwemukomana
wake. Matanho aizotorwa zvawo pave paye asi iye anenge otobikirana nemukomana wake.
d) Kutizisa: Kutizisa kwaiitwa nemukomana apo anenge oonawo sekuti dzimwe nzira dzakaita
sekukumbira, dzingamunonokere. Anenge oda kubikirwa, asi dzimwe nguva anenge asati
aunganidza pfuma inodiwa pakuroora musikana. Mukomana anotuma vanhu kunotora musikana
wake asi panenge paine kuwirirana pakati pemukomana nemusikana kuti vari kutora danho
iri. Panguva ino musikana anogona kunge azvitakura, asi dzimwe nguva anenge asina
zvake. Vatete vemusikana vainyeverwa kuti vasazokahadzika kuti mwana akaendepi.
e) Kukumbira: Iyi ndiyo nzira yatingati yaive yakanyanya kutekeshera uye yaionekwa senzira
yakanaka. Musikana nemukomana vaipfimbana zvakanaka, vowirirana kuti vave kuda kuroorana,
ukuwo mukomana anenge aunganidza twunodiwa. Vanatete vanenge varimo munyaya idzi
uye vaine basa guru kwazvo. Munyai aitumwa kwanatezvara, kazhinji kumunin’ina wavo,

NOT FOR SALE


kunovaudza kuti vaitsvaga sadza pamusha pavo. Vakuwasha vaizouya pazuva rinenge
rakawiriranwa. Musikana aibvunzwa kuti aivaziva here vanhu ava. Kana musikana ati anovaziva,
vana baba vaibva vachitema roora ravo. Mazuva ano vamwe vanogona kubva vada kukumbira
muchato mushure mekuroora.
Ipai zvamunofunga nevadzidzi venyu, asi motarisawo muchifunga nenyaya dzekodzero dzevanhu
dzave kudai kukosheswa. Zvava kunetsawo zvakare kuti munhu anzi asundwa nemidzimu asi
iye dzimwe nguva asingatendi kune zvemidzimu, naizvozvozvo musasiye nyaya dzezvitendero.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zviri mundima zvinoratidza kukosha kwehama pakuroorwa kwemwanasikana
b) kudoma mazita edzimwe mari dzinobviswa pakuroora
c) kutsanangura kuti chirevo chekuti mukuwasha muonde chinorevei
Zvombo zvingashandiswa
• edzesero yekuroora
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita edzesero yekuroora vachitevedza tsika imwe chete.
2. Vadzidzi vanoverenga ndima yakapihwa.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pemafambisirwo akaitwa hurukuro yekutema
roora.

69
4. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. Kukumbira / kubvunzira (1)
2. Vanatete, hanzvadzi dzanyakuroorwa, vanini’na nemadzikoma ababa vemusikana. (2)
3. Dzimwe nguva kana mwanasikana akasaroorwa anogona kuita nzenza. Zvinofadza kuumba
ukama neimwewo mhuri, mucherechedzo wekuyarutsa kwakanaka (2)
4. KuBuhera (1)
5. Vhuramuromo, matekenya ndebvu, kupinda mumusha, kuunganidza dare. (3)
6. Tsananguro yezvirevo
a) Vaive vabva kunzvimbo dzakasiyana-siyana muno muZimbabwe. (2)
b) Ndivo vanohora mari zhinji. (2)
c) Vaiti vanhu varege kutya kutaura pfuma yakawanda (2)
d) Mukuwasha anoramba achibatsira vanatezvara vake, chero apedza kuroora. (2)
e) Zuva rakazodoka varume vonwa zvavo hwahwa (2)
7. Bikira murume adye achiguta, mumba ngamugare makachena, ida hama dzemurume wako. (1)
8. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru kubva mundima.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

NOT FOR SALE


3. Ngatirungei mutauro
Enzaniso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuzadzisa pakashama neenzaniso dzakakodzera
b) kutsanangura mutsauko uripo pakati pefananidzo neenzaniso
c) kushandisa enzaniso mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvirungamutauro
• zvitaitai zvine nhetembo dzakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita hurukuro yeenzaniso dziri pabhambiri rine zvirungamutauro.
2. Vadzidzi ngavanyore basa iri panguva yechidzidzo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezveenzaniso dzanyorwa mushure mekukwenywa
kwebasa.
Mhinduro
a) Parunako inyeredzi
b) Pamahobi igudo
c) Pakunhuwa chidembo
d) Pakurwa imvumba
e) Pakusviba itsito / tsubvu

70
f) Pakumhanya imhepo / itsuro
g) Pakureba mudhuri / itwiza / muti
h) Pakurara idahwa
i) Pakunyima / kuomera chapungu / mutowa
j) Pakuvhima ihombarume

4. Ngatiumbei mutauro
Mupanda 3 ne4
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvivakashure zvemupanda 3 nemupanda 4
b) kudoma mazita emipanda 3 ne4
c) kutsanangura sungano youshoma nouzhinji pakati pemupanda 3 ne4
d) kuratidza mazita emipanda 3 ne4
Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo yezvinhu zviri mumipanda iyi zvakaita semiti nemigoti kana izvo pachazvo
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaatsanangurire vadzidzi nezvemipanda 3 ne4.
2. Vadzidzi vanodoma zvinhu zviri pamifananidzo nekuzviisa mumupanda 3 ne4
2. Vadzidzi ngavanyore basa mumabhuku avo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvebasa iri mushure mekukwenywa kwaro.
Mhinduro
NOT FOR SALE
Cherechedzo: Vadzidzi ngavanyore mazita akakodzera. Ngwarirai mazwi emipanda 1 ne18 kuti
haana kupfekerwa umu here.

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Kugadzira tsamba yekukoka vanhu kumuchato
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvinofanira kuiswa patsamba yekukoka vanhu kumuchato
b) kugadzira tsamba inogona kushandiswa kukoka vanhu kumuchato
Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo yepamuchato
• dandemutande reruzivo
• mapepanhau nemabhuku ezvitoro zvinotengesa zvinhu zvemuchato
• makombiyuta
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaongorore mifananidzo yaunzwa kana kutsvaga padandemutande.
2. Mudzidzisi vachitungamirira vadzidzi ngavakurukure pamusoro pezvinofanira kunyorwa
patsamba dzekukoka vanhu pamuchato.
3. Vadzidzi ngavagadzire tsamba idzi vachishandisa makombiyuta umwe neumwe ari pake ega.
4. Vadzidzi ngavaise basa ravo muhomwe dzavo.
Cherechedzo: Mudzidzisi ngavaongorore kuti zvose zvinofanira kuva patsamba zviripo here uye
kuti basa iri rachengetedzwa.

71
6. Ngatitsanangurei
Mazwi ewanano
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura mazwi akapihwa ane chekuita newanano
b) kushandisawo mazwi aya pavanenge vachitaura nezvewanano
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine mazwi ewanano
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanotsanangura mazwi ewanano ari pazvitaitai.
2. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite basa ari pake ega.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamwe chete nhinduro dzapiwa nevadzidzi.
Mhinduro dzinotarisirwa
a) Mwenga – Uyu muroora mutsva, ari kuda kutopinda mumusha kana kuti achangopinda
mumusha.
b) Sadombo – Anogona kunzi munyai kana samutume. Basa rake ndere kumiririra mukuwasha,
ndiye anotaura nemadzitezvara kana vachida kuchema-chema kuti vaderedzerwe. Vakuwasha
havagoni kuroora vasina munyayi, dzimwe nguva sekuru vemukomana ndivo vanogona
kupihwa basa iri.
c) Vakarahwa – Vabereki vakaroorerwa mwanasikana, madzitezvara.
d) Mhosva – Izvi zvinhu zvinenge zvakakanganiswa nevakuwasha, zvavanozoripiswa zuva
rekuroora.
NOT FOR SALE
e) Chikomba – mukomana anenge achida kuroora kana kuti achangobva kuroora.
f) Danga – idzi imombe dzinobviswa nemukuwasha kuna baba vemusikana uye ndidzo
musimboti weroora. Mombe yeumai haiverengwi padanga.
g) Kuperekwa – uku kuperekedzwa kwemwenga navanatete, madzimbuya, madzikoma
nevanin’ina. Mwenga anenge aine midziyo yake yekubikisa. Vanenge vaine jongwe ravo
neupfu, kazhinji hwezviyo, mhunga, mapfunde kana mudzvurwa, hwekuti vagonobikira
varume vavo sadza. Kuenda vakawanda kwavanoita, kuitira kuti vagobatsira kushenaira
kuita mabasa ehuroora.
h) Masungiro – iyi itsika yekuendesa musikana kuvabereki vake paanenge aine pamuviri
pekutanga. Izvi zvaiitirwa kuti mwanasikana akazvitakura agokwanisa kufambidzana
nevabereki vake uye anenge achifanira kusunungukira mwana wekutanga kuvabereki
vake kuti agodzidziswa marererwo emwana mucheche.
i) Mombe yechimanda – iyi imombe yaibviswa nemukuwasha kana awana mudzimai wake
iri mhandara yakazara isina kumboziva murume. Paitorongwa mutambo, mombe iyi
youraiwa nevakuwasha mumusha mavanatezvara vavo.
j) Mombe yeumai – iyi imombe inopihwa kuna amai vemusikana nekuda kwekubereka
kwavakaita mwanasikana wavo. Mombe iyi inofanira kuva tsiru uye inotofanira kubviswa
nokuti ikasabviswa inogona kuzonetsa mune ramangwana.

72
Chitsauko
18
Nhaka
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kukurukura pamusoro pemhando dzenhaka dziriko dzakasiyana-siyana
b) kuburitsa magoverwo enhaka avako mukore uno
c) kuverenga ndima nekupindura mibvunzo yenzwisiso nepfupiso
d) kuronga tsumo dzakavhenganiswa vachizotsvakurudza zvadzinoreva
e) kunyora rondedzero yehurukuro
f) kukurukura pamusoro pemusambo wekugovewa kwenhaka

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kududza kuti chii chinonzi nhaka vachipa mhando dzenhaka
b) kujekesa magoverwo enhaka pasichigare neizvo zvavako mazuvano vachipa misiyano
c) kutsanangura kuti nhaka chii vakanangana nemhuri, dunhu kana nyika
d) kubuditsa zvakanakira nekuipira magoverwo enhaka akasiyana-siyana

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• mufananidzo une mhando dzenhaka
• mienzaniso yemagwaro emarairanhaka
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi nevadzidzi vanoita hurukuro nezvepfuma yemufi.
2. Vadzidzi vanodzumbunura nhaka dzakasiyana-siyana dziri pamifananidzo.
3. Vadzidzi vanotsanangura kugovewa kwakasiyana-siyana kwezvinhu zvenhaka.
4. Vadzidzi vanokurukura zvakanakira kana kuipira gwaro rerairanhaka vachishandisa mienzaniso
yemagwaro emarairanhaka akapiwa..
Zvingabuda muhurukuro
Vadzidzi vanosungirwa kuita hurukuro vachitungamirwa nemibvunzo yavapiwa. Pakupedzisira
ngavagone kutsanangura kuti chii chinonzi nhaka kana kuchitariswa mumhuri, dunhu nenyika
Nhaka ingatsanangurwa ichinzi ipfuma inotambidzanwa mumhuri, mudunhu kana munyika kuti
igoraramisawo vamwe vanenge vachiri kuenderera mberi neupenyu. Zvinobatsira vadzidzi zvikuru
kana vakagona kupanawo nzira dzekuchengetedza nekuzviunganidzira nhaka semhuri, dunhu
kana nyika.

2. Ngativerengei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga ndima yakapiwa
b) kupa muchidimu zviri munyaya yavaverenga
c) kupindura mibvunzo zvizere

73
Zvombo zvingashandiswa
• dura remudzidzisi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoverenga ndima yakapiwa.
2. Vadzidzi vanotsanangura nhaka dzakasiyana-siyana dzabuditswa mundima vachitungamirirwa
nemudzidzisi.
3. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. Nhaka ipfuma inopananwa kuti iraramise vanenge vachienderera neupenyu
2. kunyanya vaya vanga vachiriritirwa nemufi. (1)
3. Mai nababa vemufi (2)
4. Dura nezvipfuwo (2)
5. Dunzvi (1)
a) Mwana wemurombo ruzhinji rwacho haagoni kuchengetedza zvinhu. (2)
b) Panogovewa pfuma panogona kumuka kuvengana pakati pehama. (2)
c) Kugara munhu audza vanhu kuti pazvinhu zvake chipi nechipi chinopiwa ani. (2)
d) Mazuva ano vanhu vave kudisa pfuma isiri yavo. (2)
6. Sarapavana mudzimai anodomwa kuva mai vevana asi asingatorani nababa vavo pabonde.
Chimutsa mapfihwa aibva atova mudzimai wemurume afirwa uyu. (2)
7. Aigeza maoko nemvura yaaitambidzwa neari kuda kugarwa nhaka. (2)
8. Yaigovewa mushure mekurohwa kweguva uko kwaiitwa mushure megore rose. (2)
9. Pfupiso
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa:

NOT FOR SALE


- Nhaka ipfuma yemufi inogoverwa kuvapenyu
- Nhaka inogona kuva yepfuma, yezita, yamadzimai kana vana
- Kunewo nhaka dzenyika nematunhu
- Mudzimai kana achinge afa pfuma yake zhinji inogoverwa hama dzake dzorudzi chete.
- Dunzvi ndoraive nebasa rekugadza nhaka richitungamirwa nevakuru.
- Panhaka yomurume, zita nezvombo zvinopiwa mwanakomana wake.
- Vakadzi vaisarudza varume vavanoda pahama dzomurume.
- Nhaka yaiita kuti mhuri irambe yakabatana yakachengeteka.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Tsumo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuronga tsumo dzakavhenganiswa kuti dzibude kwazvo
b) kupa tsumo dzinobudisa pfuma, uye tsika mukurarama kwevanhu vatema
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine tsumo namadimikira
• zvitaitai zvine tsumo

74
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanodoma nhaka dzavanoziva muupenyu hwavo.
2. Vadzidzi vanokurukura nezvetsumo dzakapiwa pabhambiri kana pazvitaitai.
3. Vadzidzi vanoumba tsumo kubva pane dzakazanganiswa.
4. Vadzidzi vanopa tsananguro yetsumo zvichidyidzana nenhaka yomufi, murume kana mukadzi.
5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.
Mhinduro dzinotarisirwa
a) Pfuma yenhaka inoparadza ukama.
b) Pabve zino rave vende.
c) Kufa kwehosi inosiya imwe.
d) Mwanarume ihona youtare.
e) Ngozi nehama hazvisiyani.
f) Roora mwana wababa vane dongo.
g) Kusesedza mwana wenherera kumubereka kumusana.
h) Mwana asina mai haarari hope dzamasikati.
i) Nyika mukanza haina mukwambo.
j) Mugarire wekondo kudzudzura dumba nematope.
2. Gamuchirai dudziro yamunoona yakanaka uye yakakodzera

4. Ngatiumbei mutauro
Mazita mupanda 5 na 6
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:

NOT FOR SALE


a) kutsanangura mabudiro echivakashure chemupanda 5
b) kupa mazita ari mumupanda 5 ne6
c) kupa sungawirirano yemazita emupanda 5 ne6
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine mipanda yakaitwa kubva pekutanga
• zvinhu zviri mumupanda 5 zvakaita sebanga, badza, demo negejo kana mifananidzo yazvo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanodzokorora mipanda yakaitwa kubva pakutanga.
2. Vadzidzi vanotsanangura panobva chivakashure (ri-) vachishandisa mienzaniso yezvinhu
zvavainazvo.
3. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi.
4. Vadzidzi vanoita dzokororo yebasa raitwa vachitungamirwa nemudzidzisi.
Mhinduro dzinotarisirwa
Gashirai zvakanaka zvinenge zvapiwa nevadzidzi. Pakupatsanura, ngwarirai shanduko inoitika.

5. Ngatitsvakurudzei
Kugara nhaka
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura magoverwo anoitwa nhaka
b) kupa matanho angatevedzwa pakugoverwa kwenhaka dzakasiyana-siyana
c) kujekesa zvierwa nezvirango zvinoitwa pakugohwa kwenhaka.

75
Zvombo zvingashandiswa
• midziyo inogona kugovewa sepfumo, gano, humbwa, hari
• muenzaniso werairanhaka
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita hurukuro pamusoro pekupiwa kwezita kumwanakomana senhaka.
2. Vadzidzi vanoita hurukuro yekugowewa kwenhaka vachishandisa midziyo inogowiwa kana
muenzaniso wegwaro rerairanhaka. Vadzidzi ngavaburitse matanho anoitiwa pakugova nhumbi
dzomufi kana ari mukadzi.
4. Vadzidzi vanotsanangura zvizere uipi hwevamwe mukupedza nhaka yevana ivo vozosiya vana
mumatambudziko.
5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Vadzidzi ngavaite tsvakurudzo ivo vagodzidzisana kubva pane zvavachawana pamusoro pemisambo
wekugova nhaka. Zvichavabatsira kuti vazive zvipeto zvinotevedzwa pakugovewa kwenhaka
mungave mumusha kana mumatare.
Vadzidzi vanogona kubuda nezvimwe sezvizvi:
a) Maitirwo etsika yekupa zita sezviri mundima yavo yenzwisiso.
b) Midziyo zvirongo, shambakodzi, hadyana, mbiya netundigwana, migoti, migwaku, makomichi,
magumbeze, mitsvairo nezvimwewo zvinoita kuti upenyu hwepamusha husare huchienderera
mberi pasina chavanoshaiwa pamidziyo yanga yagara iri pamusha pavo mubereki achiri mupenyu.
Zvimwe chetezvo kana vari baba vashaika vana vanosara nemagejo nezvipfuyo. Veukana
vanotozogoverwa kana paine zvinoraudzira.
c) Mai vemufi vanopiwa ndiro, komichi, chipunu negumbeze zvaishandiswa nemwana wavo.

NOT FOR SALE


d) Murume akatora mumwe mukadzi asiri werudzi rumwe chete nemufi, mukadzi uyu haachatenderwi
kushandisa chero chii zvacho chemufi.

6. Ngatinyorei
Rondedzero yenhaurirano
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura mhando yerondedzero yenhaurirano vachipa matanho pakunyorwa kwayo
b) kukwanisa kupa pfungwa huru kumativi ose vachinyatsojekesa chaicho chiri kukurukurwa
nezvacho
c) kunyora mhando iyi nemutoo wayo chaiwo nokupa vatambi mazita akakodzera
d) kunyora rondedzero ine mwero unotarisirwa
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• bhambiri rine manyorerwo ehurukuro / nhaurirano
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavapiwe mukana vekunoita tsvakurudzo yemanyorerwo ehurukuro padandemutande.
2. Vadzidzi pamwe nemudzidzisi ngavaite hurukuro vachipa manyorerwo enhaurirano.
3. Vadzidzi ngavajekese icho chacho chinokurukurwa nezvacho vachipa pfungwa dzizere mativi
ose.
4. Vadzidzi vanonyora nhaurirano pamusoro wavanenge vasarudza vachitevedza zvakapiwa
pabhambiri..

76
Chitsauko
19
Zvitendero
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kunzwisisa kuti kune zvitendero zvakasiyana-siyana pasi rino
b) kuziva kuti zvimwe zvacho zvinotorumbidza dhiyabhorosi
c) kuzivawo kuti zvitendero zvinotenda kuna Mwari zvakawanda, asi mashumiriro ndiwo anosiyana
d) kuziva mazita emipanda 7 na 8
e) kupa tsanangudzo dzemadimikira

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti zvitendero zvii
b) kudoma zvitendero zvakasiyana zvavanoziva
c) kutsanangura fanano nesiyano iri pazvitendero izvi
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• dandemutande reruzivo
• magwaro anotaura nezvezvitendero
Maitirwo echidzidzo
1. Vari mumapoka avo, vadzidzi ngavaverenge nezvezvitendero zvakasiyana-siyana padandemutande
nemumagwaro anotaura nezvezvitendero.
2. Vadzidzi vanotaura zvitendero zvavanoziva.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavatsanangure zvinoitwa muchitendero chega chega.
4. Mudzidzisi anozopeta chidzidzo nekupawo pfungwa dzake pamwe nezvaakawanawo mutsvakurudzo
yake.
Zvekukoshesa
Vadzidzi ngavazive kuti zvitendero zvinobatanidza vanhu panguva yekushumira. Vanobatanawo
zvakare pamafaro akaita semichato nemabiko akasiyana-siyana. Tinoonawo zvakare kuti panhamo
yakafanana nerufu, vanhu vanowanzobatsirwa nevanhu vechitendero chavo, dzimwe nguva kudarika
rubatsiro rwunopihwa nehama. Ndipo paunozoona munhu ongopindira kereke kuti agowana vano
muviga.
Zvakakosha kuti vadzidzi vazive zvizere pamusoro pechitendero chechivanhu nechikirisitu,
sezvo zviri izvo zvinonyanyotevedzerwa muZimbabwe.
Kuziva nezvezvimwe zvitendero ngakubatsire kuti vadzidzi vazive kukosha kwekugamuchirana
sevanhu, kunyangwe muchidaira kuzvitendero zvakasiyana. Ngavazive nyaya dziri kuitika kune
dzimwe nyika dzekuurayana kwevanhu vezvitendero zvakasiyana. Izvi ngazvivabatsire kunzwisisa
kukosha kwekugona kugamuchirana nekusiyana kwedu.

77
2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvitendero zvinotaurwa nezvazvo mundima
b) kudoma matambudziko anogona kukonzerwa nekuda kwezvitendero zvakasiyana
c) kupindura mibvunzo yakapihwa
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekunoverenga ndima iyi panguva yavo.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pepfungwa dzakakosha dziri mundima.
3. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. Rekutadza kuroorwa (1)
2. Anoti vamwe vezera rake vakatowanikwa. (2)
3. Chivanhu nechikirisitu. (2)
4. Anotenda zvese kuchikirisitu nekuchivanhu. (1)
5. Mamwe mazwi ari mundima anoreva zvakafanana:
a) kuwanikwa (1)
b) Musikavanhu (1)
6. a) ndakura (2)
b) pakaenda vanababamunini kun’anga. (2)

NOT FOR SALE


c) ndave kusekwa nevanhu vese (2)
d) ndave kuonekwa sechinhu chasakara (2)
e) ndaonda zvakanyanya (2)
7. Nemweya mutsvene. (2)
8. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyukura pfungwa huru.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Madimikira
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa madimikira anofambirana netsananguro dzakapihwa
b) kushandisa madimikira aya mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvirungamutauro
Maitirwo echidzidzo
1. Vari mumapoka avo, vadzidzi ngavaongorore basa riri pabhambiri.

78
2. Vadzidzi ngavanyukure madimikira kubva pane zvirungamutauro zvakapiwa.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvemadimikira aya.
4. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi, umwe neumwe ari pake ega.
Mhinduro dzinotarisirwa
a) kuva panyanga dzamushore
b) kuomeswa mate mukanwa
c) kubata jongwe muromo
d) kuva nemoyo murefu
e) kutyorwa gumbo
f) kuva mukombe nechirongo
g) kugarira maoko
h) kutura befu
i) kupona nepaburi retsono
j) kukwenya mhuno nekasiyamwa

4. Ngatiumbei mutauro
Mupanda7 ne 8
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvivakashure zvemupanda 7 ne8
b) kudoma mazita anopinda mumipanda iyi
c) kutsanangura sungano youshoma nouzhinji iri pamupanda 7 ne8

NOT FOR SALE


d) kuburitsa tsananguro / tsoropodzo inouyiswa nezvivakashure zvemipanda 7 ne8
Zvombo zvingashandiswa
• mbambiri rine mazita emupanda 7 ne8
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaatsanangurire vadzidzi nezvemipanda iyi.
2. Vadzidzi ngavape mienzaniso yemazita ari mumipanda iyi vachishandisa bhambiri rine mazita.
3. Vadzidzi ngavatsanangure nezvemazita emupanda 7 ne8 akapiwa pabhambiri.
4. Vadzidzi ngavanyore basa rakapihwa.
Mhinduro dzinotarisirwa
Vadzidzi ngavanyore chero mazita ari mumupanda 7, vozoanyora zvakare ave muuzhinji (mupanda 8).

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Chinyorwa chekukwezva
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino,vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvakanakira zvitendero zvavo
b) kupa zvikonzero zvingaite kuti vamwe vade kupindawo muchitendero ichocho
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• magwaro matsvene ezvitendero

79
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaverenge dandemutande reruzivo kana mumagwaro matsvene ezvitendero.
2. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite basa rake ega.
3. Vadzidzi vashoma ngavaverengere vamwe zvinyorwa zvavo.

6. Ngatitsanangurei
Tsoro yemazwi
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyurura mitemo ine gumi kubva pachirongwa chetsoro
b) kutsanangura zvinoreva mitemo iyi
Zvombo zvingashandiswa
• magwaro matsvene aMwari
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaverenge mitemo ine gumi mumagwaro matsvene aMwari.
2. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite basa ari oga.
3. Mudzidzisi ngavatungamire hurukuro ichaitwa mushure mekunyururwa kwemitemo ine gumi.

NOT FOR SALE

80
Chitsauko
20
Ukama nemadzinza
Vavariro
Panoperera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kukurukura pamusoro peukama vachitarisa kuvamba kunoita dzinza
b) kuverenga detembo remutupo vozokurukura pamusoro peukama hunotevera mutupo
c) kunyora zvirevo vachishandisa nyaudzosingwi dzakadzokororwa
d) kudoma mazita, zvipauro nenyaudzosingwi, muzambiringwa munyemba
e) kupa kukosha kweukama pamisambo
f) kunyora rondedzero dzegakava

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura ukama vachitarisa mavambo emadzinza
b) kupa detembo remutupo wavo
c) kukurukura mamiriro emhuri neukama hwadzo mumazuva ano vachipa misiyano iripo nezvekare
d) kuteverera dandemutande remhuri vachiburitsa ukama huripo padanho rega rega

NOT FOR SALE


e) kuburitsa kukosha kwemitupo mukurarama kwevanhu
Zvombo zvingashandiswa
• nhetembo dzemitupo
• mabhambiri ane chimiro chedzinza
Maitirwo echidzidzo
1. Vachibatsirwa nezviri pabhambiri, vadzidzi vanoita hurukuro pamusoro poukama hwemumhuri,
mudunhu nemunyika.
2. Vadzidzi vanokurukura nezvedandemutande remhuri mudunhu nemunyika.
3. Vadzidzi vanotsanangura ukama mumhuri paupenyu hwanhasi.
4. Vadzidzi vanoverenga nhetembo dzakapihwa wokurukura nezvadzo vachibuditsa zvadzakanakira
mumhuri.
5. Pakukurukura, vadzidzi ngavaburitse ukama mumhuri, mudunhu nemunyika. Vadzidzi
ngavaburitse zvinowanzofanana pamhuri yega yega vagoburitsawo mamiriro aita mhuri mazuva
ano.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga detembo Tembo Mazvimbakupa
b) kukurukura nezvemitupo yakasiyana-siyana
c) kupengenura detembo rapuhwa
d) kupindura mibvunzo yenzwisiso nekunyora pfupiso

81
Zvombo zvingashandiswa
• nhetembo iri pabhambiri
• dura romudzidzisi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopa mitupo yavo vachidetemba mamiriro ayo.
2. Vadzidzi vanodetemba detembo riri pabhambiri.
3. Vadzidzi vanotsanangura zviri mudetembo ravaverenga, Tembo Mazvimbakupa.
4. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Cherechedzo: Zvinokurudzirwa chaizvo kuti vadzidzi vanyorewo madetembedzo emitupo yavo.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. Mbizi (1)
2. Chihota, Chivazve, Charindapanze, Bindu naChigudza (1)
3. Kugwara, kuManyochwa, zomba, Dzimbahwe, GuviraneManyika, Chai, Chirovarova (1)
4. Inorumbidzwa nekuda kwerunako / kuyevedza kweganda nechimiro chayo (1)
5. a) Njuma (2)
b) Mbizi yakashonga mikonde seyavakadzi (2)
c) Zvaitwaromo (2)
d) Sikarudzi (2)
e) Tateguru (2)
6. Maita zvenyu dehwe rembizi gakangoma (2)
7. Mazvimbakupa (1)
8. Mazambacheka, Mangarivari, Mateyameso (1)

NOT FOR SALE


9. Vanenge vari hama nehama kunyanya vanogona kuva baba nemwana kana
hanzvadzi nehanzvadzi, zvichibva nemazera avanenge vari (2)
10. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru kubva mundima.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Nyaudzosingwi dzakadzokororwa
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyurura nyaudzosingwi dzakadzokororwa dziri mudetembo ravaverenga
b) kubudisa mashandisirwo enyaudzosingwi
c) kunyora zvirevo vachishandisa nyaudzosingwi dzakadzokororwa
Zvombo zvingashandiswa
• dura romudzidzisi
• zvitaitai zvine nyaudzosingwi dzakadzokororwa
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura nezvenyaudzosingwi dzakadzokororwa.
2. Vadzidzi vanoita hurukuro iyi vachibudisa pachena basa renyaudzosingwi.
82
3. Vadzidzi vanokurukura nezvenyaudzosingwi dzakadzokororwa dziri pazvitaitai vopawo imwe
mienzaniso yenyaudzosingwi dzakadzokororwa.
4. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi.
Mhinduro dzinotarisirwa
Vadzidzi vanogona kubuda nezvirevo zvakawanda kwazvo nokusiyana kwazvo. Chinodiwa
kucherechedza mashandisirwo aitwa nyaudzosingwi nevadzidzi. Zvirevo zvinotevera inongova
mienzaniso bedzi yezvinotarisirwa.
a) Akakandwa chamatsenganzungu ndokuti dzedzere dzedzere achibva awira pasi.
b) Imbwa yakatemwa gumbo nemupinyi ndokuti kamhi, kamhi, kamhi ichitiza.
c) Mbavha yangoonekwa kuti mvee mvee nemumiti ndokutsakatika.
d) Gudo rangoti hwapu hwapu miguri yechibage ndokutiza.
e) Mbuya vakati dzihwa fee fee nechimucheka.
f) Akati komichi yemaheu pamuromo ndokuti gadabi, gadabi, gadabi asingazorori.
g) Mhembwe yakati makwenzi svetu svetu imbwa sare dzichibonderana.
h) Mbama dzaanzi watsu watsu dzamuonesa nyenyedzi.
i) Ndiro yeuchi yakati mome mome nemasvosve.
j) Moto wakanzi mvura bvoo bvoo ndokudzima.

4. Ngatiumbei mutauro
Mupanda 9 ne10
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:

NOT FOR SALE


a) kupa mazita emipanda 9 ne10
b) kupa zvivakashure nemadzitsi emazita emipanda 9 ne10
Zvombo zvingashandiswa
• midziyo nemhuka kana mifananidzo yemidziyo nemhuka zvine mazita ari mumupanda 9 ne10
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita dzokororo yemipanda yakaitwa kumashure.
2. Vadzidzi vachitungamirirwa nemudzidzisi ngavape tsanangudzo yemipanda 9 ne10 kuchishandiswa
mienzaniso yemhuka kana midziyo yakapiwa.
3. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi vari mumapoka.
Mhinduro dzinotarisirwa
Vadzidzi vachapa mazita akasiyana-siyana. Gashirai ese anenge akanaka

5. Ngatinyorei
Rondedzero yegakava
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuita hurukuro yerondedzero yegakava
b) kujekesa pfungwa dzinokakavara zvinopa rugutso mativi ose emusoro wenyaya wakasarudzwa
c) kubudisa matanho anotevedzwa pakunyora gakava
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• dura romudzidzisi

83
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita tsvakurudzo yezvinotarisirwa pakunyora gakava
padandemutande.
2. Vadzidzi vanotsanangura matanho pakunyorwa kwegakava.
3. Vadzidzi vanonyora rondedzero yegakava ine urefu hunosvika mashizha maviri.
Cherechedzo: vadzidzi ngavape pfungwa dzinokakavara zvinoti gadzi gadzi kumativi ose emusoro
wenyaya wavanenge vasarudza.

6. Ngatirungei mutauro
Hama dzedu
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kukurukura vachipa kukosha kweukama
b) kutsanangura madaidziro akasiyana-siyana mumapandiko eChiShona apuhwa
c) kuzazanura kukosha kwehama mukuumba unhu mukuyaruka kwevana uye kuyananisa mhuri
d) kutsanangura mabasa akasiyana evanhu veukama
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rinoratidza dandemutande reukama
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanodoma hama dzinowanikwa mumhuri.
2. Vadzidzi vanozadzisa chirongwa chakapuwa chinoburitsa ukama mumhuri mumitauro yeChiShona

NOT FOR SALE


vachishandisa dandemutande reukama rakapiwa pabhambiri.
3. Vadzidzi vanotsanangura mabasa akasiyana-siyana ehama dzinoti vanatete, sekuru, baba, amai
nevakwasha mumhuri.
Mabasa akakosha ehama dzedu:
1. Tete vemhuri: kudzidzisa vanasikana pamusoro penhau dzekuyaruka, kupfimbana, kuzvibata
kune unhu kumusikana, kuyananisa pakupesana mumhuri. Kuva chigarapakati pakati pevakuwasha
natezvara uyu anenge ari hanzvadzi yavo, kupururudzira michato nekuraya vana vehanzvadzi
dzavo, kupereka vanasikana vanoroorwa nenzira ipi zvayo yokuwana. Nokudaro tete vane
basa guru rekuvaka muyananisi, murangi nemufambisi wezvese zvakakosha mumhuri.

Vadzidzi vanogona kuita izvozvo pahama dzavanoziva. Uri pamusoro uyo muenzaniso wemamwe
emabasa atete.
Dandemutande reukama
Vadzidzi ngavarondorodze kurukana kweukama mudzimhuri kubva pamutupo, kuroora nekuroorwa
kana kubva paushamwari chaipo.
Basa rekumba
Vadzidzi ngavazadzise chirongwa chakapiwa. Vanoita vhendenyuro yemadaidziro anoitwa hama
dzakasiyana-siyana zvichibva nekuti kubandiko ripi reChiShona.

84
Chitsauko
21
Zvieraera
Vavariro
Panoperera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kuva neruzivo maererano nezvieraera zvakasiyana-siyana
b) kukwanisa kuremekedza mitemo yepanzvimbo pese pavasvika
c) kuziva zvikonzero zvinoisirwa zvieraera zvakasiyana
d) kuita basa renzwisiso nepfupiso
e) kugona kushandisa nyaudzosingwi dzakadzokororwa

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma nzvimbo dzakasiyana-siyana dzine mitemo inofanira kutevedzerwa
b) kutsanangura kuti mitemo iyi inobatsirei
c) kuremekedza mitemo yenzvimbo dzakasiyana-siyana
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• vakokwa vanaSorojena
• dandemutande reruzivo
• mapepanhau ane mienzaniso yemitemo yenzvimbo dzakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. VanaSorojena vanopiwa mukana wekutsanangurira vadzidzi nezvezviera vachiburitsa nzvimbo
dzinezviera, mitemo inofanira kuchengetedzwa nezvakakoshera kuremekedza zviera.
2. Mudzidzisi anopa vadzidzi mukana wekutaura zvavanoziva maererano nezviera.
3. Mudzidzisi nevadzidzi vanokurukura maererano nenzvimbo dzakasiyana dzine mitemo inoda
kutevedzerwa.
4. Mudzidzisi achatsanangura kukosha kwezviera muupenyu hweVaShona

Itai hurukuro pamusoro pemitemo inodzikwa nemapoka akasiyana-siyana kuti itevedzerwe nevanhu.
a) Batai nyaya yekupfekwa kwembatya dzechikoro zvakanaka, kurambidzwa kwezvinodhaka,
nguva dzekusvika pachikoro, nguva dzekubva pachikoro, kubhadharwa kwemari yechikoro,
kunyorwa kwebasa rechikoro, kuchengetedzwa kwenharaunda iri pachikoro, hukama
pakati pevadzidzi vechikoro nevarairidzi.
b) Dzimba dzekunwira doro dzinofanira kuita mitemo ine chekuita nemazera anobvumidzwa
kupindamo, nyaya dzekuputwa kwefodya, nguva dzekuvhura nekuvhara, nyaya dzemhirizhonga,
nhau dzezvikwereti.
c) Vana katsekere vemumaguta vanoisa mitemo ine chekuita nemarasirwo emarara, panomiswa
hambautare, miripo inofanirwa kubhadharwa nevagari vemumaguta, vanotengesera
mumigwagwa, nzvimbo dzinovakirwa dzimba.
d) Madzishe ekumaruwa anogona kudzika mitemo ine chekuita nekutemwa kwemiti,
nzvimbo dzekurimira nedzekuvakira misha, chisi, kuchengetedzwa kwenharaunda, miganhu,
kuchengetedzwa kwezvipfuwo, kugarisana.

85
e) Vanoona nezvekutyairwa kwakanaka kwehambautare vanopa mitemo ine chekuita nemazera
anotenderwa kutyaira hambautare, kutorwa kwemapepa ekutyairisa, kutevedzerwa kwemitemo
yemumigwagwa, mitemo inobatsira kudzivirira njodzi, kukodzera kwehambautare dzinotyairwa.
Mitemo inotodiwa nekuti inodzidzisa vanhu hunhu hunotarisirwa panzvimbo ipi neipi, inopawo
varidzi venzvimbo mukana wekutora matanho ekuranga avo vanenge vatyora mutemo.
(i) vamwe vanotyora mitemo nekuti dzinenge dziri nhubu dzinotoda kurangwa
(ii) vamwewo vanenge vangofarisa uye vamwe ndevaya vanofuririka nyore
Cherechedzo: vadzidzi ngavanzwisise kuti panoiswa mutemo vanhu vakararama kare vane zvavanenge
vakamboona zvavanenge vachida kuedza kudzivirira. Vanhu hatingamiriri kudzidza kubva munyatwa
dzedu chete, asi kuti tinogona kudzidzawo kubva kune vamwe vanhu.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zviera zviri mundima
b) kutsanangura kuti chimwe nechimwe chezviera izvi chinobatsira sei pakugarisana kwevanhu
c) kutsanangura zvinonzi zvinoitika kumumhu anenge aita zvinoera
d) kuita basa renzwisiso nepfupiso
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvinhu zvinoereswa neVaShona

NOT FOR SALE


Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanodoma nekutsanangura zvinhu zvinoereswa neVaShona zviri pabhambiri.
1. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pezvinhu zvinoereswa neVaShona zviri mundima.
2. Vadzidzi ngavaverenge ndima muchidzidzo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pezviera zviri mundima nechinangwa
chekunzwisisa zvazvinoreva.
4. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. VaKamuzonde, VaNhundu. (2)
2. KuNyanga kwemazuva mana. (2)
3. Ukauraya datya mvura hainayi, ukauraya mutsunyarunya mombe dzinoita maronda paminyatso,
ukagarira duri unonzwa musana kana kuti unoita muroyi. (3)
4. a) tainopihwa mazano aizotibatsira kuti tirarame upenyu zvakanaka (2)
b) moto waive wakakura uchienda mudenga (2)
c) anenge atofa kare naizvozvo hapana anozoona mamota ake (2)
d) pakataurwa zvinhu zvizhinji zvekuti haafungidziri kuti pane chakasara (2)
e) tinongoita zvinhu nekuteedzera vamwe (2)
5. Vanhu vanorarama neurema, nherera, shirikadzi, mapofu, vana vadiki, chembere neharahwa.
6. a) Kuchengetedza mitemo yepanzvimbo dzavanenge vasvika.
b) Kuremekedza zvisikwa zvese utsanana nezvimwewo zvingafungwe nevadzidzi. (2)
7. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru kubva mundima.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)

86
Ndima imwe (1)
Mutauro usina kudimikirwa (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Enzaniso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvinorehwa neenzaniso dzakapihwa
b) kutsanangura hukama huri pakati pezvinhu zviri kuenzaniswa
c) kushandisa enzaniso mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvirungamutauro
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavanyore basa iri panguva yechidzidzo.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezveenzaniso dzakanyorwa pabhambiri, vachiburitsa
hukama huripo pazvinhu zviri kuenzaniswa.

Muenzaniso: Mari muenzi

NOT FOR SALE


Tsananguro: Hukama huri pakati pemari nemuenzi ndehwekuti zvese hazvigari zvachose. Muenzi
akasvika nhasi, mumwe musi achaoneka, mariwo ikawanikwa nhasi, mangwana ichapera nekuti
kushanda kwayo ndiko kupera kwayo.
Mhinduro
a) Kusatenda uroyi
Uroyi hunhu hwakashata chose uye hapana munhu anohufarira, naizvozvo kusatenda kuri
kunzi kwakashata sekuroya nekuti unhu hwedu hunoti tinofanira kutenda chakanaka.
b) Ukama igasva hunozadziswa nekudya
Gasva kusazara kana kuti mudziyo usina kuzara ndizvo ukama huchinzi hauna kuzara kana
vanhu vasingadyi pamwe.
c) Zino irema, rinosekerera newarisingadi
Rema harizivi zvarinoita, naizvozvo zino riri kunzi haringazivi maererano nehukama huri pakati
pevanhu, charo kuonekwa muromo wosekerera. (haisi tsananguro yedimikira asi yeenzaniso)
d) Rudo ibofu
Bofu munhu asingaoni, naizvozvo rudo rwuri kufananidzwa nebofu nekuti harwuoni zvakaipa
zviri pamunhu anenge adiwa.
e) Simba mukaka rinodzinina
Kana mai vachiyamwisa kacheche, mukaka hauperi nekuti ayamwa nhasi, asi unoramba
uchidzinina. Zvimwe chete nesimba remunhu, kana munhu akashanda nhasi, kunyangwe
akaneta, asi paanomuka mangwana simba rinenge radzoka ava kukwanisa kushanda zvakare.
f) Musikana chihambakwe, asvika akanda chibwe
Chihambakwe idutu rematombo anoiswa nevaenzi, vachizivisa ueni hwavo kuvadzimu venzvimbo
iyoyo, ndizvo zvatinoona pamusikana, hazvina mhosva kuti akambopfimbwa nevakomana
vangani mumashure asi mukomana anenge amuona anotombokanda shoko achiedzawo mhanza.
g) Rufu ndiMadzongonyedze

87
Madzongonyedze izita remadunhurirwa rinoreva munhu anovhiringidza zvinhu zvakanaka.
Pese pasvika rufu hapana rugare, rwunovhiringidza hurongwa hwevanhu nehupenyu hwevanhu,
ndicho chikonzero rwanzi madzongonyedze.
h) Mukuwasha muonde hauperi kudyiwa
Muonde muti unoita michero inodyiwa nevanhu gore negore ndipo panobva mashoko ekuti
hauperi kudyiwa. Mukuwashawo, kunyangwe akabvisa mari yeroora akapedza, mumusha
mavanatezvara vake mukaita dambudziko, anotarisirwa kuti abatsire nemari kana nedzimwe
nzira.
i) Dzidzo inhaka yeupenyu
Nhaka ipfuma inosiirwa munhu, kazhinji nevabereki vake kana dzimwewo hama. Pfuma sekuziva
kwedu inobatsira kuti munhu ararame upenyu hwakanaka. Ndizvo zvinoitawo munhu anenge
awana dzidzo, anokwanisa kushandawo mabasa epamusoro achirarama hupenyu hwakanaka.
j) Upenyu mutoro
Mutoro zvinhu zvinorema zvinenge zvakatakurwa nemunhu. Upenyu hune matambudziko
akawanda anoremera vanhu seurwere, kufirwa, urombo nezvimwe zvakawanda.

4. Ngatiumbei mutauro
Mazita emupanda11
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma chivakashure chemupanda 11
b) kutsanangura mhando yemazita anopinda mumupanda 11

NOT FOR SALE


c) kutsanangura mutsauko uripo pakati pechipauro chinotsanangura nechisingatsananguri
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine maumbirwo emazita emupanda 11
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaashandise bhambiri kutsanangurira vadzidzi nezvemupanda 11
2. Vadzidzi ngavanyore basa rakapihwa.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvebasa iri mushure mekukwenywa kwaro.
Mhinduro
Mienzaniso yemazita anganyorwe: ruoko, nzizi, rudo, rwenga, rurimi, rwaivhi, rusero, ruredzo,
rushambwa nemamwewo

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Kunyora mitemo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvinotarisirwa kuitwa nevana vari kuduhwino
b) kutsanangura zvakakoshera kuisa mitemo kumatuhwino
c) kugadzira mitemo ingagone kunamirwa kuduhwino repachikoro
Zvombo zvingashandiswa
• mitemo yakagadzirwa nevamwe
• dandemutande reruzivo

88
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaite basa iri umwe neumwe ari pake ega.
2. Vadzidzi vachitungamirirwa nemudzidzisi ngavakurukurirane imwe yemitemo yanyorwa
nevadzidzi neyakagadzirwa nevamwe.
3. Vadzidzi ngavaise basa ravo muhomwe.
Cherechedzo: Mitemo inogona kusiyana zvichiendera nechikoro, asi ngaive inozadza mukombe.

6. Ngatitsanangurei
Zvieraera
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zviera zvakapihwa
b) kutsanangura kuti zviera izvi zvinobatsira sei pakugarisana zvakanaka kwevanhu
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanogona kuita basa iri vari mumapoka vachishandisa dandemutande reruzivo.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamwe chete maererano nezvavanikwa mumapoka.
Mhinduro
a) Ukagara papfihwa unozofirwa nemurume / mukadzi – kuedza kudzivirira njodzi yekutsva
nemoto uye kuchengetedza utsanana hwenzvimbo inobikirwa.

NOT FOR SALE


b) Ukadya wakarara unomera makuvhu maviri – hazviratidzi rukudzo kumunhu anenge
abika zvekudya zvacho uye zvinogona kuzodzika nemwena usiri iwo zvokonzera njodzi
yekudzipwa.
c) Ukasona hembe wakaipfeka unenge uchisonerera nhamo pamuviri – kuedza kudzivirira
njodzi yekuzvibaya netsono.
d) Ukafamba nenhendeshure unoshurudzira rufu rwamai vako – zvine njodzi kufamba munhu
asingaoni kwaanenge achienda, naizvozvo ndizvo zvinenge zvichida kudzivirirwa.
e) Ukananzva banga unomera durikwa remazino – kuedza kudzivira kuzvicheka kwemunhu
nebanga, nehutsanana.
f) Ukakwakuka mwana haazorebi - nyakukwakuka akawira mwana, mwana anogona kukuvara
zvakaipisisa.
g) Ukatakura mwenje mumusoro unoita muroyi – nyakutakura anogona kutsva iye kana
kupisa imba.
h) Ukaorera madota nemaoko unoita munyama – kana muine mazimbe akasaririra munhu
anogona kutsva uye hausi hutsanana hwakanaka kubvisa madota nemaoko.
i) Ukadongorera munhu achigeza unoita shohwera – kuedza kudzivirira kubatwa chibharo
kwevana uye kuti vakomana nevasikana varemekedzane.
j) Mukomana akakokota mugoti anomera mazamu – kare vasikana ndivo vaiwanzo bika
naizvozvo ndivo vane kodzero yekukokota mugoti. Vakomana vanenge vachidzidziswa
huipi hwekuruta.

89
Chitsauko
22
Nguva
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kukurukura pamusoro pekuvamba kwezviringazuva kusvika pazvave nhasi
b) kudoma kuberekana kwenguva
c) kuverenga ndima nekupindura mibvunzo yenzwisiso
d) kuziva mazita anopinda mumipanda 12 ne13
e) kupa tsumo dzinoreva zvakafanana maringe nenguva
f) kunyora rondedzero yemhando yekupa kwamashoko epamutambo / ungano

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvinoshandiswa nenyika dzakasiyana-siyana panguva
b) kutaurirana kukosha kwenguva muupenyu hwevanhu
c) kukurukura pamusoro pekuvamba kwezviringazuva kusvika pazvava nhasi
d) kuverenga nguva nekuberekana kwayo

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo wezviringazuva zvakasiyana-siyana
• zviringazuva zvemhando dzakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaongorore zviringazuva zviri pamufananidzo yavo votsanangura kuti zvaishanda
sei.
2. Vadzidzi ngavatsanangure mashandisirwo ezviringazuva zvemhando dzakasiyana-siyana.
3. Vadzidzi ngavaite hurukuro inobudisa kuvamba kwezviringazuva kusvika patava nhasi.
4. Vadzidzi ngavarondedzere kuberekana kwenguva vachipa maverengerwo ainoitwa.
5. Vadzidzi vanonyora chirongwa chenguva.
6. Vadzidzi vanobudisa kukosha kwenguva uye kushandisa nguva zvine pundutso.
Mhinduro
1. Masekondi makumi matanhatu anopa miniti
2. Maminitsi makumi matanhatu anopa awa
3. Maawa makumi maviri nemana anopa zuva rakazara
4. Mazuva manomwe anopa svondo
5. Masvondo mana anopa mwedzi
6. Mazuva makumi matatu kana makumi matatu nerimwe anopa mwedzi. Mwedzi waKukadzi
unogona kuita mazuva makumi maviri nemasere kana makumi maviri nemapfumbamwe
7. Kotoro yechikoro inogona kuva nemasvondo gumi nemaviri kana gumi nematatu
8. Gore rine mazuva mazana matatu nemakumi matanhatu ane mazuva mashanu kana mazana
matatu nemakumi matanhatu ane mazuva matanhatu

90
2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga ndima vachipa zviringazuva zvaishandiswa munguva dzekare
b) kutsanangura nyika nezviringazuva zvadzo
c) kupindura mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso
Zvombo zvingashandiswa
• zviringazuva kana mifananidzo wezviringazuva zvakasiyana-siyana kuverengera chiringazuva
cheQuartz
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopanana zvijana zvekuverenga ndima vari mumapoka.
2. Vadzidzi vanotsanangura dzimwe ndevo dzakashandiswa mundima.
3. Vadzidzi vanodonongodza zviringazuva zvenyika dzepasi rose kusanganisira necheQuartz
chakapiwa.
4. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. Kufamba kwezuva (1)
2. Masikati neusiku (1)
3. Chiringazuva chamakandyera
- Chitanda chezuva

4. Quartz (1) NOT FOR SALE


- Pendulum clock (2)

5. a) Zvimwe zvacho zvaitosetsa mashandiro azvo (2)


b) Zviringazuva zvakanga zvofanana nezviriko nhasi (2)
c) Kunoti zvinoiswa muhomwe / musamba (2)
d) Mazuva akunenge kune rima (2)
e) Nguva dzinenge dzichidaidzirwa pose pose (2)
6. Kunze kunenge kwoda kunoti svibei (2)
7. Egypt neMesopotamia (2)
8. Makore aidomwa nekuzivikanwa nezviitiko zvinenge zvaita mukurumbira mugore iroro (1)
9. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru kubva mundima.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Tsumo dzinoreva zvakafanana
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa tsumo dzinotaura nezvenguva
b) kutsanangura tsumo dzinoreva chinhu chimwe chete

91
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine tsumo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanotaura pamusoro petsumo dzinoreva nguva.
2. Vadzidzi vanotsanangura zvizere zvinorehwa netsumo dzapiwa pazvitaitai vakatarisana
nekufamba kwenguva.
3. Vadzidzi vanonyora tsumo vachipa zvadzinoreva.
Mhinduro
a) Kutamba nemisi kurwa nechinokukurira / kuvaraidza zuva kutemera nyoka ruzhowa.
b) Mhosva yemumwe mangwana ndeyako / chandiwana nhasi chichazokuwanawo mangwana
c) Usiku igore
d) Chisingaperi chinoshura
e) Aive madziva ave mazambuko / chinokura chinokotama musoro wegudo chava chinokoro.
f) Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba mhapa / magaro.
g) Mhosva haiori.
h) Totenda dzamwa dzaswera nebenzi / Totenda yavira shambakodzi yedenhe.
i) Sadza huritamburira hapana angaridya agere.
j) Rume rimwe harikombi churu.

4. Ngatiumbei mutauro
Mazita emipanda 12 na13
Zvinangwa

NOT FOR SALE


Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudzokorora mipanda yavakaita kumashure
b) kupa mienzaniso yemazita ari mumipanda 12 ne13
c) kutsanangura zvinoreva mazita ari mumipanda iyi
d) kuumba mazita vachiburitsa chivakashure chezita nedzitsi rezita
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvivakashure zvemipanda yakaitwa kumashure
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavadzokorore mipanda yakaitwa kumashure iri pabhambiri.
2. Mudzidzisi ngaatsanangure maumbirwo emazita emipanda 12 ne13.
3. Vadzidzi ngavatsanangure ukama huri pakati pemazita ari mumupanda 12 ne13.
4. Vadzidzi ngavaite basa rezuva ranhasi.
Mhinduro
Batsirwai nemienzaniso iri mubhuku revadzidzi.

5. Ngatirungei mutauro
Misambo: Kukwazisana
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura makwazisiro anoitwa munguva dzakasiyana
b) kujekesa kukosha kwekukwazisana mukuzivana kwevanhu
c) kubudisa mhando dzevanokwazisana uye makwazisiro acho

92
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavashandise dandemutande kuita vhendenyuro yezvakanakira kukwazisana,
voita hurukuro yezvavawana vari mumapoka.
2. Vadzidzi ngavakurukure nezvenzira dzokukwazisana nadzo mumazera akasiyana.
3. Vadzidzi ngavatsanangure zvakakoshera kukwazisana nevausingazivi munzvimbo.
4. Vadzidzi vanogona kuita kamutambo vachiratidzira kukwazisana kwevanhu vakasiyana-siyana.
Mhinduro dzingabuda
1. a) Zvakakoshera kukwazisana kana vanhu vachisangana
- Zvinoita kuti vanhu munzwanane muumbe ukama / ushamwari
- Munocherechedzana
- Munoremekedzana
- Zvinoumba rudo / kukoshesana
2 a) Kukwazisana vanhu vachingomuka kana kuti vasangana mangwanani
b) Kukwazisana zuva rateremuka madarika masikati makuru
c) Mwana arikukwazisa munhu mukuru
d) Kukwazisana kuda pave nemazuva akati raudzirei vasati vaonana
e) Kumutsa tete vari kurwara nezino / kwaziso yemangwanani
f) Kubvunza vabva rwendo rweHwange kuti variko vakadii
g) Kubvunza vabva kumusha kuti vasarako vakadii
3. Gamuchirai zvinobva kuvadzidzi zvinokodzera.

6. Ngatinyorei
NOT FOR SALE
Kunyora gwaro kana mashoko achataurwa pagungano
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura pamusoro pekunyora rondedzero yekupa kwamashoko (report)
b) kubudisa matanho uye mamiriro erondedzero yekupa kwamashoko
c) kunyora basa rezuva ranhasi
Zvombo zvingashandiswa
• mapepanhau ane rondedzero dzekupa kwamashoko dzakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi anotsanangura mhando mbiri dzerondedzero iyi.
2. Mudzidzisi nevadzidzi vanoita hurukuro pamusoro pemamiriro erondedzero yekupa kwamashoko
(report) vachishandisa mienzaniso yerondedzero dzakanyorwa kare.
3. Vadzidzi vanotsvagurudza nhanganyaya ingashandiswa pakunyorwa kwerondedzero yekupakurwa
kwemashoko.
Zvekucherechedza
Pakunyorwa kwerondedzero yekupa kwamashoko ngapacherechedzwe zvinotevera
- Zita remunyori
- Zuva renyaya yacho
- Musoro wenyaya yacho
- Nhanganyaya inosuma zvirikutaurwa zvacho
- Mutumbi unojekesa chinangwa chechinyorwa
- Mhedziso

93
Chitsauko
23
Utongi hwekumaruwa
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kunzwisisa nezvehutungamiri hwekumaruva, uye kuti hunofamba sei
b) kuziva mabasa anoitwa nevatungamiri ava, uye kukosha kwavo muupenyu hwanhasi
c) kuziva mutsauko uripo pakati pehutungamiri hwakanaka nehutungamiri hwakashata

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvinzvimbo zvakasiyana zvevatungamiri vekumaruwa
b) kutsanangura mabasa anoitwa neumwe neumwe wevatungamiri ava
c) kutsanangura kukosha kwehutungamiri hwakanaka
Zvombo zvingashandiswa
• mukokwa kubva munharaunda
• dandemutande reruzivo

NOT FOR SALE


Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanogona kuita tsvakurudzo yezveutongi hwekumaruwa padandemutande, hurukuro
iyi isati yaitwa.
2. Vadzidzi vanotaura zvavanoziva nezvehutongi hwekumaruwa.
3. Mukokwa ngaapiwe mukana wekukurukura nevadzidzi achitsanangura mabasa anoitwa neumwe
neumwe wevatungamiri vekumaruva.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavabatsirane kuongorora kukosha kwevatungamiri vekumaruwa
muupenyu hwanhasi.
5. Vachibatsirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita hurukuro yezvabva kuvadzidzi pane zvavaita
vari umwe umwe.
6. Mudzidzisi anozopeta chidzidzo nekupawo pfungwa dzake pamwe nezvaakawanawo mutsvakurudzo
yake.
Zvingabuda muhurukuro
a) Sabhuku, sadunhu, mambo
b) Basa revatatu ava harinyanyi kusiyana, asi chinosiyana hukuru hwenzvimbo yavanotonga.
Sabhuku ane mutanha mumwe chete une misha yakati kuti yaanotonga: sadunhu ane nzvimbo
yaanotongawo, iyo inogona kuva nemasabhuku ane chitsama. Mambo ndiye ari pamusoro
pavo vese uye ndiye anozotonga mhosva dzinenge dzapfuura nemumaoko emasabhuku
nemasadunhu vakadzitadza kana dzimwe huru dzisingatongwi nevari pasi pake. Mamwe
emabasa avo ndeanotevera:
- kuyananisa vanhu
- kutonga vapari vemhosva
- kuchengetedza runyararo munzvimbo yavo
- kuchengetedza nharaunda yavo
- kupa minda nepekugara kuvanhu vavo nekuvapoteri

94
c) Vatongi vanonzi vanotonga nedemo ndevaye vasingakoshesi zvido zvevanhu. Vanotongwa
vacho havana mufaro nekuti vanenge vachingogunun’una. Kazhinji shirikadzi nenherera dzisina
mumiririri dzinenge dziri munhamo. Zvimwe zvinogona kuitwa nemunhu anotonga nedemo
ndezvinotevera:
- kuita umbimbindoga
- kuita undyire
- kuva neutsinye pamatongero ake
- kupa mitongo yakaomarara, inogona kuparadza munhu
- kuvenga avo vangaite pfungwa dzakasiyana nedzake
d) Vadzidzi ngavatsvage mazita aya zvichienda nekwavanobva
e) Kurukurai muchipa zvikonzero.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Nhaka youtungamiri
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvinzvimbo zvehutungamiri zvinotaurwa mundima
b) kutsanangura kuti hutungamiri uhwu hunosiiranwa sei
c) kupindura mibvunzo yakapihwa pamwe nepfupiso
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanogona kuverenga nezveutongi hwekumaruva padandemutande kuti wawedzere

NOT FOR SALE


ruzivo.
2. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekunoverenga ndima iyi panguva yavo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pepfungwa dzakakosha dziri mundima.
4. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. VaDumburedoro vaive nevana vakomana vana (1)
2. Kusiya nyemba (2)
3. Nevanji (1)
4. Chitsunge (1)
5. Zvakazovaomera kuti vadzorerwe chinzvimbo nababamunini vavo, vakatozopedzisira votsvaga
rubatsiro kuhutungamiri hwepamusoro. (2)
6. a) basa raimuraramisa (2)
b) panguva yekusiya basa nekuda kwezera achingotambira mari arikumba (2)
c) chinhu chisiri chako shandisa uchiziva kuti muridzi anogona kungouya kuzochitora (2)
d) vakanga vanzi vangofanobata chigaro ichi, asi vakanga votochitora sechavo (2)
e) chinhu chinogamuchidzanwa pamhuri kana pahukama (2)
7. Dzimwe nguva zvine mubairo asi dzimwe nguva kungodawo kuva mukuru. (1)
8. Pfupiso
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa mupfupiso
- sadunhu akafa mwanakomana anotora husadunhu
- pakashaya vaDumburedoro nevanji haana kutora usadunhu
- nevanji arega basa babamunini havana kuda kudzora usadunhu
- pakaita makakatanwa nevanji akatsvaga rubatsiro kwashe Chitsunge nekwamudzviti
zvikatora nguva
- zvinzvimbo zvinokwanisa kuparadza ukama

95
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatiumbei mutauro
Mupanda 14
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma chivakashure chemupanda 14
b) kutsanangura mazita anopinda mumupanda uyu
c) kutsanangura maumbirwo emazita emupanda 14
Zvombo zvingashandiswa
• zvinhu kana mifananidzo yezvinhu zvine mazita anopinda mumupanda 14 zvakaita sehwahwa
neupfu
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaatsanangure mupanda 14.
2. Vadzidzi ngavape mienzaniso yemazita emupanda 14 vachishandisa mifananidzo kana zvinhu
zvakapiwa zvakaita sehwahwa neupfu.
3. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yavapihwa.
Mhinduro
NOT FOR SALE
1. Huori, upenyu, urwere, hwahwa, hueni nemamwe angapiwa nevadzidzi

4. Ngatirungei mutauro
Madimikira
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa tsananguro dzinofambirana nemadimikira akapihwa
b) kutsanangura zvinoreva madimikira aya
c) kushandisa madimikira aya mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvirungamutauro
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavanyore basa rakapiwa.
2. Vadzidzi vanogona kukwenyerana basa iri.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure zvinoreva madimikira aya neari pabhambiri.
Mhinduro
a) kupura nyemba nemusana - kugarika
b) kutaura seune muti mukanwa - kutaura zvinhu zvinobva zvaitika
c) kupinda nemwenje mudziva - kufarisa
d) kubatiswa pasi - kuvimbiswa chinhu asi munhu wacho asingazochiiti
e) kuzvidya pfungwa - kunetsekana zvakanyanya
f) kuenda kwamupfiganebwe - kufa
g) kuteya nzou neriva - kuita zvinhu zvinongokupedzera nguva asi zvisingabudiriri

96
h) kuisa zvimiti munzeve - kusateerera zvinenge zvichitaurwa
i) kubatwa kumeso - kunyengedzwa
j) kurara nezamu mukanwa - kupusa

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Kunyora kamutambo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma matanho anotorwa pakutonga mhosva padare
b) kudoma zvimwe zvezvinhu zvinoripiswa munhu kana achinge apara mhosva
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi anotsanangura matanho anotorwa padare.
2. Mudzidzi umwe neumwe ngaanyore chinyorwa chake.
3. Vadzidzi ngavaise basa ravo munhava dzavo.

6. Ngatitsanangurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura mazwi pamwe nezvirevo zvapihwa
b) kutsanangura kukosha kwehutungamiri hwekumaruwa muupenyu hweVaShona

NOT FOR SALE


c) kutsanangura kuvigwa kwemadzishe
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite basa ari oga.
2. Mudzidzisi ngavatungamire hurukuro kujekesa tsananguro dzakapihwa.
3. Mudzidzi mumwe nemumwe anopa zvaawana kuboka guru.
Mhinduro
a) Rufu nekuvigwa kwemadzishe – rufu urwu harwukurumidzi kutaurirwa vanhu, madzishe
anowanzovigwa pedyo nemadzitateguru awo.
b) Basa revatongi pakuchengetedza chisi nezviera – vane simba rekutonga munhu anenge atadza
kutevedzera mitemo yenzvimbo, iyo inosanganisira chisi nezviera
c) Kubatsirwa kwevapoteri nevatongi – ibasa revatongi kuyamura vapoteri nekuvagamuchira
nekutovapa nzvimbo yekuvaka dzimwe nguva.
d) Kukosha nekuchengetedzwa kwemiganhu – miganhu yakakosha nekuti inogona kukonzera
kusawirirana. Vatungamiri vane basa rekuyananisa vanhu vanenge vasiri kuwirirana nenyaya
dzemiganhu.
e) Rubatsiro runopihwa nevatongi panguva yenyatwa – vatongi vanogona kutsvaga rubatsiro
kana mudunhu mavo mapinda nyatwa, rubatsiro urwu rwunogona kutsvagwa kuhurumende
kana vamwe vatungamiri.
f) Mitongo yakasiyana inopihwa vapari vemhosva nemadzishe – kuripa nezvipfuwo.
g) Basa ravo pamitambo yakaita semukwerera, kupira midzimu nezvimwewo – kutungamira
nekuparura mitambo.

97
Chitsauko
24
Bumbiro remitemo
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kukurukura vachiburitsa kuti chii chinonzi bumbiro remitemo
b) kudoma zvakakoshera mabumbiro mumapoka nenyika
c) kutsanangura zviri mubumbiro zvinobata zvedzidzo
d) kuverenga nekupindura mibvunzo yenzwisiso
e) kutsiva zviito nenyaudzosingwi muzvirevo
f) kunyora rondedzero dzetsananguro

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti chii chinonzi bumbiro remitemo
b) kujekesa chakakoshera mabumbiro emutemo avanoziva vakanangana nebumbiro renyika
yeZimbabwe

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• mabumbiro emitemo
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaite vhendenyuro yebumbiro remutemo padandemutande hurukuro iyi isati
yaitwa.
2. Mudzidzisi nevadzidzi vanoita hurukuro vachiburitsa kuti chii chinonzi bumbiro remitemo.
3. Vadzidzi vanoburitsa makoshero emabumbiro emitemo mumapoka nenyika.
4. Vadzidzi vanogadzira mabumbiro avowo vachipa zviga zvirimo.
5. Vadzidzi vanojekesa makoshero ebumbiro remitemo yenyika.
Mhinduro dzingabuda
a) Bumbiro remitemo rinopa gwara rezvinofanira kuitwa munyika kana mumapoka. Mitemo
irimo inoita kuti zvinhu zvifambe neurongwa hwakanaka, zvakanakira munhu wese munyika
kana nhengo dzese dzeboka. Izvi zvinoita kuti mhosva dzive shoma sezvo tese tinenge
tichiziva zvinotarisirwa.
b) Bumbiro rinogona kuva neizvi:
- zita reboka
- vavariro yaro
- vabati vezvigaro nemabasa avo
- mafambisirwo eboka
- mitongo ingapiwa vasingatevedzi bumbiro
- zvinofanira kuitwa kana boka iri rava kuparadzwa / kuputswa
c) Matanho anotevedzwa
- kusarudza boka richatungamirira basa iri

98
- kuitisa boka iri mhiko yekuti vachashanda nemazvo
- kupa boka iri zvavanotarisirwa kuita
- kubvunza veruzhinji zvavanoda kuti zvipinde mumisoro yakasiyana-siyana yebumbiro
- kuunganidza nekusurudza pfungwa dzabva kuvanhu
- kudzorera zvaunganidzwa kuvanhu kuti vati ndizvo here zvavakataura
- kuchipepeta nekunatsurudza bumbiro
- kupa mukuru wenyika bumbiro
- kuita inonzi referendum yokuti vanhu vati vanoritambira here bumbiro iri
d) Vanotsaudzira vanoendeswa kunotongwa kumatare edzimhosva vopiwa mitongo yavo.
e) Zvakakoshera kuti unopinda muboka uchiziva zvirimo. Hauzoshamisiki nezvinenge zvichiitwa
neboka iroro sezvo unenge usina kumanikidzwa kupinda mariri.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Bumbiro remitemo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zviri mundima zvinoratidza kukosha kwemabumbiro emutemo
b) kubudisa mamwe emabumbiro avanoziva
c) kutsanangura ndevo itsva dziri mundima
d) kuita nzwisiso nepfupiso
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• dura remudzidzisi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoverenga ndima vari mumapoka.
2. Mudzidzisi nevadzidzi vanoita hurukuro pamusoro pepfungwa huru dziri mundima.
3. Vadzidzi vanotsanangura ndevo itsva, vari mumapoka.
4. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. Hurongwa hwemitemo yeboka, dunhu kana nyika (1)
2. Mitemo inotevedzwa, vabati vezvigaro nemabasa avo zvinoitwa kune vanotyora mitemo
yebumbiro, kusarudzwa kwevabati vezvigaro. (2)
3. Bumbiro remitemo yenyika (1)
4. Matambudziko anenge achikonzerwa nemimwe mitemo, kusanduka kwezvinhu / magariro
(2)
5. a) Ndiro sikiro rawo ose (2)
b) Harisi firapo (2)
c) Vane umbimbindoga (2)
d) Gwaro ramba kupetwa (2)
e) Dzidzo pachena (2)
6. Zvinofanira kunyoreswa kuhurumende zvoongororwa zvopiwa magwaro ekushanda. (1)
7. Dzidzo irikunzi iri pachena asi dzidzo iri kuripirwa mumagwaro ese kubva epasi
kusvika epamusoro (1)
8. Mwanasikana anofanira kungopiwawo mikana yedzidzo yakafanana neinopiwa mwanakomana(1)
9. Kutevedzwa kwetsika, unhu, kukosha kwehondo yerusununguko, kuchengetedzwa kwenhaka
yenyika. (1)

99
10. Pfupiso
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa.
- pane mabumbiro anobva kune renyika
- kuongororwa kwaro richinhadzurudzwa kufambirana nenguva
- pfungwa dzeruzhinji dzinotariswa pakuumba bumbiro
- munhu wese ane kodzero yekudzidza hwaro hwepasi pachena uyewo kudzidza zvisina
kutarisa zera
- zvikoro zvinopiwa magwaro ekushanda zviri pamutemo
- mubumbiro, vasikana vanofanira kuwana mikana yakaenzana nevakomana pakudzidza.
- kutyora bumbiro kunoendesa kumatare naizvozvo rinofanira kukosheswa
- bumbiro rinoumba tsika, mhuri uye matongerwo emhosva nemagariro
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Nyaudzosingwi
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:

NOT FOR SALE


a) kutsanangura maumbirwo enyaudzosingwi kubva muzviito
b) kutsiva zviito nenyaudzosingwi
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiro rine zviito
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanodzokorora kujekesa kuti chii chinonzi nyaudzosingwi.
2. Vadzidzi vanoumba nyaudzosingwi kubva pazviito zvakapiwa pabhambiri.
3. Vadzidzi vanopa zviito vari mumapoka nekuzvitsiva nenyaudzosingwi dzakakodzera.
4. Vadzidzi vanonyora basa renyaudzosingwi.
Mhinduro
Vadzidzi ngavashandure zvose zvinodiwa kuti chirevo chigonyorwa chine sungawirirano yemazwi
yakanaka.
Mhinduro
Vadzidzi vanogona kubuda nenyaudzosingwi dzakanaka dzakawanda dzakasiyana pachiito chimwe
chete. Gamuchirai zvese zvinenge zvakakodzera.
a) Pfungwa dzedu dzakati bhaa / bheu mushure mechidzidzo ichi.
b) Ukatyora mutemo unoswera wati njee nesimbi dzemapurisa.
c) Mureza wenyika une ruvara rwakati piriviri / kovoo.
d) Dzidzo inoita kuti chiedza chiti bhaa munjere dzedu.
e) Rega kuramba wakati go / tende, enda unodzidza.
f) Vana vakati panda / mwanda munhandare pavakati bha mukuru wechikoro.

100
g) Vadzidzi vakati mwii / ziroo / kwakaa pakati pindikiti / ngori mudzidzisi.
h) Tariro anga akati rushaya mbaa aomerwa netsumo.
i) Bhuku rakanzi peu / bhedhenu tikaona mifananidzo.

4. Ngatiumbei mutauro
Mazita emupanda 15
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvinoreva mazita emupanda 15
b) kupa siyano pakati pemipanda 1, 3 ne 15
c) kunyora zvirevo zvine mazita emupanda 15
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine mazita emupanda 1, 3 ne15
• bhambiri rine zvirevo zvine mazita emupanda 15
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanodzokorora mipanda yakaitwa kumashure.
2. Vadzidzi vanotsanangura zvinoreva mazita emupanda 15 akapiwa pabhambiri.
3. Vadzidzi vanotsanangura siyano yemazita anotanga nechivakashure /mu-/ ari mumipanda 1,
3, ne15 vachishandisa mienzaniso iri pazvitaitai

NOT FOR SALE


4. Vadzidzi vanonyora basa rakapiwa mumabhuku avo ekuverenga.

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Bumbiro remitemo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura mamiriro ebumbiro remitemo
b) kutevedza matanho ose ari kuwanikwa pabumbiro renyika vachinyora zvakakosha mariri
Zvombo zvingashandiswa
• bumbiro remitemo renyika
• mabumbiro emamwe mapoka
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoongorora misoro mikuru iri mubumbiro remitemo renyika.
2. Vadzidzi vanoenzanisa misoro iyi neiri mune mamwe mabumbiro.
3. Vadzidzi vanogadzirawo mabumbiro avo emapoka ari pachikoro semapoka.
4. Vadzidzi vanoverengerana mabumbiro abva kumapoka.
5. Vadzidzi vanochengetedza zvinyorwa munhava dzavo.
Mhinduro
Cherechedzo: Vadzidzi ngavatevedze urongwa hwemanyorerwo ebumbiro.

101
6. Ngatinyorei
Rondedzero yetsananguro
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyora rondedzero pamusoro wavanenge vasarudza
Zvombo zvingashandiswa
• mienzaniso yemabumbiro akasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaongorore mabumbiro auyiwa nawo vawane micherechedzo.
2. Vadzidzi ngavanyore rondedzero dzavo.

Cherechedzo: Basa iri harifaniri kuremera vadzidzi nekuti vakadzidza zvakanyanya pachidzidzo
chokutanga, Ngatikurukurei uye pamisambo yemabumbiro. Vadzidzi pavakagadzirawo avo
mabumbiro vaigoka ruzivo rwakakwana rwunoita kuti vagone kunyora tsananguro pasina dambudziko.
Cherechedzai kuti matanho anotarisirwa atevedzwa here.

NOT FOR SALE

102
Chitsauko
25
Hondo yerusununguko
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kuve neruzivo rwakakwana maererano nenhoroondo yenyika yavo yeZimbabwe
b) kuremekedza nyika ino, nekunzwisisa kuti pane vazhinji vakaifira
c) kugona kuita gakava rinotaura nezvekupambwa kwenyika yeZimbabwe

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvicherwa zvaidiwa nevachena munyika yeZimbabwe
b) kudoma zvakanaka zvakauya nekupambwa nevachena
c) kudoma zvakaipa zvakauyawo nekupambwa nevachena
d) kutsanangura kuti zvine huremu hwakanyanya ndezvipi pakati pezvakanaka nezvakaipa
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo

NOT FOR SALE


• mabhuku enhoroondo dzehondo yerusununguko
Maitirwo echidzidzo
1. Vari mumapoka akasiyana-siyana, vadzidzi vanopa pfungwa dzavo maererano nekupambwa
kweZimbabwe.
2. Vadzidzi ngavaite tsvakurudzo padandemutande reruzivo kana mumabhuku enhoroondo
dzehondo yerusununguko kutsvaga upfumi hwezvicherwa hwaidiwa nevachena muZimbabwe.
3. Mudzidzisi anopepeta zvataurwa ozovhara gakava.
Pfungwa dzingabuda
Zvakaitwa kusimudzira nyika
- kugadzira migwagwa, njanji
- kuchera madhamu
- kuvaka madhorobha, zvikoro, zvipatara
- kuvaka nzvimbo dzekushandira dzinoita zvakasiyana-siyana
- kuunza chitendero chechikristu nezvimwewo
Zvakaitwa kuparadza nyika
- zvizvarwa zvakatorerwa ivhu
- paishandiswa chisimba
- zvicherwa zvakakosha zvakatorwa
- zvizvarwa zvaishandiswa mumapurazi, mumigwagwa nemunjanji senhapwa
- kugadzikwa kunzvimbo dzine jecha dzekurima
- kurohwa uye kusakosheswa kwehupenyu hwevatema
- Kupiwa dzidzo yakasiyana nevarungu nezvimwewo

103
2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvidzidzo zvenhoroondo yeZimbabwe
b) kutsanangura matambudziko akasangana nezvizvarwa zvemuno mushure mekuuya kwevachena
c) kupindura mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso
Zvombo zvingashandiswa
• mabhuku enhoroondo dzehondo yerusununguko
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaverenge nyaya imwe chete kana mbiri dzinorondedzera nezvehondo
yerusununguko yemuZimbabwe mumabhuku enhoroondo dzehondo voita hurukuro.
2. Vadzidzi ngavaverenge ndima muchidzidzo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pezviri mundima vachiedza kujekesa nhoroondo
yeZimbabwe.
4. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. Shambadzo yezvemhemberero dzekuwana kuzvitonga kuzere (1)
2. Vachena navasinamabvi (2)
3. Vakashandisirwa chisimba, uye varungu vaive nezvombo (1)
4. Ivhu, zvicherwa, nyanga dzezvipembere nedzenzou nezvimwewo (2)

NOT FOR SALE


5. a) vanhu vazhinji vakafa kuti nyika igowana kuzvitonga kuzere (2)
b) vakanga votoda zvemuno vasisadi kudzokera kunyika kwavo (2)
c) nhamo yavaive vatarisana nayo yainge yangofanana nekufa (2)
d) zvakanyatsoitika here kana kuti dzinongovenyaya (2)
e) varume vazhinji vakafa vachisiya madzimai avo (2)
6. Kufamba munemimwe migwagwa mudhorobha, kunwa doro rechirungu nezvimwewo (2)
7. Vakomana vainzi vanamujibha, vasikana vachinzi vanachimbwido (2)
8. Pfupiso
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa.
- pashambadzo yemhemberero yenyika Maka anoratidza kusvotwa asi Tadiwa anoratidza
shungu oti chivhitivhiti chisashandurwe pekuona
- pakauya varungu havana kugarisana nevamwe zvakanaka, vakatora ivhu rakanaka vatema
vakaenda kujecha
- vachena vakashandisa chisimba, vatema vakazofunga kurwisa, vazhinji vakafa
- vabereki vairiritira vakomana vairwa hondo
- varwi vehondo havana muripo wavaiwana kwanga kuri kuzvipira kwega
- rugare rwanhasi rwakafirwa nevanhu
- kugara zvakanaka ndicho chaiva chinangwa chemadzitateguru edu
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvose (10) [30]

104
3. Ngatirungei mutauro
Mazwi anoreva zvakawanda
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mazwi anopereterwa zvakafanana asi achireva zvakasiyana
b) kuumba zvirevo zvinojekesa zvakasiyana zvingarehwa nemazwi akapihwa
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine mazwi anoreva zvakawanda
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaape vadzidzi mienzaniso weizwi rimwe chete rinopereterwa zvakafanana asi
richireva zvakawanda.
2. Vadzidzi vanotaura zvakasiyana-siyana zvinorehwa nemazwi ari pazvitaitai.
3. Vadzidzi ngavanyore basa ravo ranhasi panguva yechidzidzo.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure zvanyorwa mushure mekukwenywa kwazvo.
Mhinduro
Vadzidzi ngavanyore zvirevo zvinoburitsa tsanangudzo idzi:
guru: mhando yenyama, kukura mhumhu, barika
gura: munda usisarimwe, dimbura
imba: chivakwa, mekugara, shaura
nzara: inowanikwa paruoko inomara, kunzwa kuda kudya
zuva: rinopisa riri mudenga, chiyero chenguva

NOT FOR SALE


doro: munda munyoro, hwahwa
kamba: kapuka kane makwati, imba diki diki
dare: simbi inoridzwa, panogara varume pamusha, panotongerwa mhosva
nyanga: chinomera pane dzimwe mhuka, gona rekuroyesa rinotumirwa kubaya munhu
gutsa: chidimbu chemuti wakatemwa, kupa zvakawanda chingava chekudya

4. Ngatiumbei mutauro
Mipanda 16, 17 ne18
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura maumbirwo emazita emipanda 16, 17 ne18
b) kutsanangura zvinoreva mazita emipanda iyi
c) kunyora mazita emipanda iyi muushoma nemuuzhinji
Zvombo zvingashandiswa
• mbambiri rine maumbirwo emazita emipanda 16, 17 ne18
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita dzokororo yemipanda yakaitwa kumashure.
2. Vadzidzi vachibatsirwa nezvakapiwa pabhambiri vanotsanangura maumbirwo emazita emipanda
16, 17 ne18 uye zvaanoreva.
3. Vadzidzi vanopa mienzaniso yemazita emipanda iyi kuboka.
4. Vadzidzi vanonyora basa rakapiwa.
Mhinduro
Vadzidzi vachapa mazita akasiyana-siyana. Mudzidzisi ngaatambire ese akanaka chikuru achingwarira
kuti vadzidzi havapi mazita emimwe mipanda ine zvivakashure zvakafanana nezvemipanda iyi.

105
5. Ngatishangazhikei pakunyora
Kutara mufananidzo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura nhoroondo yeZimbabwe
b) kutara mifananidzo inoburitsa nhoroondo iyi
Zvombo zvingashandiswa
• makombiyuta
• zvinyoreso zvine ruvara rwakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavanyore nhevedzano yemifananidzo yavo. Umwe neumwe ngaaite basa iri ari
pake ega
2. Vadzidzi ngavatare mifananidzo yavo
3. Vadzidzi ngavaise basa ravo munhava dzavo. Rimwe rakanaka ngarinamirwe kumadziro kana
kuzotsikiswa mubepanhau rechikoro.
Cherechedzo: Vadzidzi vanogona kushandisa makombiyuta kunyora basa iri.

6. Ngatitsanangurei
Mureza weZimbabwe
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:

NOT FOR SALE


a) kutsanangura zvinomirirwa neruvara rumwe nerumwe rwuri pamureza weZimbabwe
b) kutsanangura nhoroondo yeZimbabwe vachishandisa mureza
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mabhuku enhoroondo dzedzimwe nyika
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite basa rake pake ega.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamwe chete maererano nezvavawana.
3. Vadzidzi ngavaite tsvakurudzo yemavara emireza yedzimwe nyika dzemuAfrica padandemutande
kana mumabhuku enhoroondo dzedzimwe nyika.
4. Vadzidzi ngavatare mureza wenyika yeZimbabwe voisa ruvara.

Ruvara rutsvuku - ropa rakadeuka kuhondo


Ruvara rwemashizha - zvirimwa
Ruvara rwendarama - zvicherwa
Ruvara ruchena - runyararo
Ruvara rutema -rudzi rwechitema rwezvizvarwa zvizhinji zveZimbabwe

Kune nzvimbo zhinji dzakadeukira ropa revana veZimbabwe, muno muZimbabwe nekune dzimwe
nyika. Edzai kuronga rwendo rwekushanyira imwe yenzvimbo idzi. Sarudzai nzvimbo iri pedyo
nemi.

106
Chitsauko
26
Dzokororo yechipiri
Bepa rokutanga
Rondedzero: zvibodzwa 50 – Nguva 1 hr 45 mins

Chikamu chokutanga
1. Vadzidzi ngavasarudze musoro mumwe chete muchikamu chino, vonyora rondedzero inosvika
mazwi mazana matatu kana mashizha maviri.
- Pakuongorora rondedzero vadzidzi ngavaburitse pfungwa dzinoenderana nekutsanangura
zvizere musoro unenge wasarudzwa. Nhanganyaya, mutumbi nemhedziso ngazvive pachena
Cherechedzai kugoverwa kwezvibodzwa.

2. Nzwisiso: Zvibodzwa 30
a) Mujibha Rex namujibha Simon. (2)
b) Anachimbwido (1)
c) NdiMabhunu Muchatibaba naTichatonga (2)
d) Mitanha mitatu, Chingozi, Gwembe neMadyambudzi (2)
e) Zvinoreva ndevo:

NOT FOR SALE


(i) kufambira misha mizhinji vachipiwa huku nembudzi zvaizoseveswa. (2)
(ii) Chimbwido izita raipuhwa musikana aibikira varwi vehondo yerusununguko. (2)
(iii) kudya kwemanheru (2)
(iv) havana kunge vaziva kuti vakanga vatoreverwa kumauto (2)
(v) munhu wese akatya zvikuru (2)
f) Arumanya nezvikopokopo (1)
g) Pfupiso
Vadzidzi vanonyurura pfungwa huru nomwe kubva mundima.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvose (10) [30]

Bepa rechipiri
Mutauro nemisambo
Zvibodzwa 50
1. Tsumo
a) Muroyi royera kure vepedyo vagokureverera.
b) Akanga nyimo avangarara.
c) Makudo ndemamwe kubata mhani anobvutidzana.
d) Kudya chomuzvere kubata mwana.

107
e) Kurara hope rugare.
f) Chembere mukadzi hazvienzani nokurara mugota.
g) Muridzo wembwa ndomumwe.
h) moyo muti unomera paunoda
i) chara chimwe hachitswanye inda
j) chisi chako masimba mashoma

Cherechedzo:
Iyi mienzaniso bedzi vadzidzi vanogona kupa dzimwe dzakangofanana neidzi ngadziongororwe
kana dzichikodzera.
2. Madimikira
a) Achiona imbwa dzouya akati tendeu ndokubereka tsoka.
b) Mbuya vanodya magaka neminzwa yawo kana mukafamba nemutseu mavo.
c) Kunyange takambotamba tose naTino iye zvino takarimirana muganhu.
d) Sekuru vakaoma mate mukanwa vachiona tete vachisvika pamusha vakazvimba chiso.
e) Nhamo ya2008 yakadyisa vanhu nhoko dzezvironda.
f) Baba vaTadzei vakaoma moyo vakaramba kuti aroorwe nemudiwa wake.
g) Rwendo rwakanga rwuchipo iwo makumbo orwadza zvaitoda kuruma chirebvu kurupedza.
h) Mushure mekumirira mai vake pachiteshi kwezuva rose, mwana akadzokera kumba nokuti
akanga aora moyo.
i) Ainyepedzera kuva shamwari yangu haiyo, asi pandakazonzwa zvaaitaura pamusoro pangu
ndakabva ndaziva kuti aigarondiseura gotsi kana ndisipo.
j) Mudzidzisi akanditi ndaive ndabaya dede nemukanwa mushure mekunge ndapa mhinduro
chaiyo yaaida.

Cherechedzo:
NOT FOR SALE
Iyi mienzaniso yezvirevo vadzidzi vanogona kuburitsa zvimwe zvakawanda
3. Mutauro
Vadzidzi ngavanyore tunyaya twavo. Chinodiwa kucherechedza mashandisirwo akaitwa nyaudzosingwi
mutunyaya utwu.
4a. Zita Mupanda
VaMasiya 2a
amai 2b
sadza 5
murume 1
seri 17a
chitoro 7
rudo 11
gadzi 5
twana 13
baba 1a
Harare 17a
uswa 14
kugomo 17
musango 18

108
4b. Chivakashure + Dzitsi
ku- + -dya
ku- + -mhanya
5. a) varume, vakadzi
b) nyanzvi, nhamo, nhomba
c) tsoka
d) zvidzayo
e) kumhanya
f) chivakashure + dzitsi
va- + -rume
va- + -kadzi
zvi- + -dza
g) mukuru, dema
h) vamwe
i) pano, dziya
Chikamu chechipiri: Misambo
6. Vadzidzi ngavaburitse pfungwa dzizere pamusoro pemubvunzo wavasarudza. Inotevera
mienzaniso yedzimwe pfungwa dzinogona kubuda pamibvunzo iyi.

Chishamwari Chinyarikani

- Hapana kutyanana, kuremekedzana, - Pane kunyarana, kuremekedzana nekutyanana


nekunyarana

NOT FOR SALE


- Nyaya dzose dzinotaurika - Panosarudzwa nyaya dzokutaurirana
- Pane kusekedzana kwakasununguka dzisinganyadzisi, kusekedzana kushoma
- Hapana mitemo pazvizhinji, panyaya, kwaziso, - Mitemo mizhinji inotevedzwa panyaya dzemhuri,
nezvimwewo kwaziso nezvimwewo
- Kudya pamwe chete kana mundiro imwe - Kudya vakaparadzana hazvigoni kudyira mundiro
imwe
- Kupfeka kwakasununguka pakushanyirana - Kupfeka kwakadzikama pakushanyirana

a) Gamuchirai tsanangudzo dzinogutsa.

b) mabasa ehama
(i) Tete
- Chipangamazano wemhuri
- Kuraira panyaya dzedzimba dzevazukuru
- Kuyananisa mudzimba
- Kutambira varoora pamusha / kupereka vana vehanzvadzi kwavanenge varoorwa
- Kuronga mitambo yemhuri nekutungamira zvizhinji
(ii) Baba
- Kuriritira mhuri
- Kuraira mhuri
- Kupa mhuri gwara
- Kuunganidzira mhuri nhaka
- Kudzivirira mhuri
- Kupa mhuri zvose zvingadiwa
(iii) Sekuru

109
- Chipangamazano wemhuri
- Kuraira panyaya dzedzimba dzevazukuru
- Kuyananisa mudzimba
(iv) Amai
- Kuriritira mhuri
- Kuraira mhuri
- Kupa mhuri gwara
- Kuunganidzira mhuri nhaka
- Kudzivirira mhuri
(v) Ambuya
- Mabasa avo akafanana neasekuru kana tete
(vi) Mukoma
- Kupanga mazano

Cherechedzo: Iyi inongova mienzaniso yemabasa anoitwa vadzidzi vanogona kuburitsa mamwe
mazhinji

c) zuva rekuzvarwa reshamwari


(i) mapfekero
- nhumbi dzomutambo dzakasununguka / asi dzakadzikama
- kutsvaga ruvara rwomutambo
- kupfeka maringe nekuri kuiitirwa mutambo

NOT FOR SALE


Cherechedzo: Iyi mienzaniso bedzi vadzidzi ngavakurudzirwe kuburitsa pfungwa dzavo.

110
Chitsauko
27
Mushandirapamwe mumhuri
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kutsanangurirana kuti mushandirapamwe chii
b) kukurukura vachiburitsa kukosha kwemushandirapamwe mumhuri
c) kuverenga ndima nekupindura mibvunzo yenzwisiso
d) kushandisa nyaudzosingwi muzvirevo zvavo
e) kuongorora mhando dzezviito dzinowanzoshandiswa
f) kukurukura pamusoro pemisambo yekudya panhimbe
g) kunyora rondedzero yehurukuro

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti mushandirapamwe chii
b) kujekesa zvakakoshera mushandirapamwe mumhuri nemukurarama kweVaShona
c) kudoma mienzaniso yemishandirapamwe yakasiyana-siyana

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo inotaridza mishandirapamwe yakasiyana
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanogona kuita vhendenyuro padandemutande hurukuro iyi isati yaitwa.
2. Vadzidzi vanoita hurukuro yekubudisa kuti chii chinonzi mushandirapamwe.
3. Vari mumapoka, vadzidzi vanonyora mishandirapamwe yavanoziva.
4. Vadzidzi vanotsanangura mifananidzo yapuhwa vachibudisa mishandirapamwe yajekeswa.
5. Vari pamwe, vadzidzi vanozazaura yavowo mishandirapamwe yavangaite pachavo.
Zvingabuda muhurukuro
Vadzidzi ngavakurukure vachidzidzisana pamusoro pemushandirapamwe mumhuri kana mudunhu.
Ngavaburitse mabasa anogona kuitwa semabasa emushandirapamwe uye mhando dzaivako kare
nedzaveko mazuva ano.
Mhando dzekare Dzanhasi
Nhimbe Kurima nekudiridzira
Majangano Yedzimba
Madzoro Yezvitoro
Majakwara Yekushandira kudya

Iyi inongova mienzaniso chete. Vadzidzi vanogona kuburitsawo mimwe yavanogona kukurukura
nezvayo.

111
2. Ngativerengei
Nzwisiso
Nhimbe
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga ndima vachipa mushandirapamwe unoitwa muvanhu
b) kutsanangura nhimbe idzo dzinoitwa nevanhu dzinoratidza mushandirapamwe
c) kuumbawo mushandirapamwe seboka
Zvombo zvingashandiswa
• mukokwa anoziva nezvemaSMEs
Maitirwo echidzidzo
1. Mukokwa anopiwa mukana wekupakurira vadzidzi nezvemushandirapamwe.
2. Vadzidzi vanotsanangurirana kuti chii chinonzi mushandirapamwe.
3. Vadzidzi vanoverenga ndima vari mumapoka.
4. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. Hwaisumwa kuna samana / sabhuku kutanga (1)
2. - Kuti kusazova nenhimbe mbiri zuva rimwe chete
- Kuti nhimbe dziparadzaniswe vanhu vawane nguva yekuitawo mamwe mabasa avo
- Kuti vanhu vese vawaniswe mikana yakaenzana yokuita nhimbe (2)
3. Kushanyura, kusakura, kupura, kutanhaura nzungu (2)

NOT FOR SALE


4. Musha wega wega waitotumira vanonoita basa kunhimbe, hakuna airega (1)
5. a) Munhu anobatsira anenge amubatsirawo (2)
b) Aigona kutouraya mombe yeusavi hwenhimbe (2)
c) Mabasa emushandirapamwe aiwanisa vanhu chokudya (2)
d) Pasina vamwe vanozeza kuti hatidi kunyanya kushandisa simba redu kubatsira vamwe (2)
e) Panoda kuonekwa kukura kwemushandirapamwe kwete kuparara kwawo. (1)
6. - Kuva nehurongwa hwemari hwakanaka
- Kushanda nesimba
- Kusabira mushandirapamwe (2)
7. Munopedzisira mapedza mari yose neinofanira kudzoserwa mubasa kuti rirambe richikura.
(1)
8. Tsika yokuba mumushandirapamwe (1)
9. Kukurawo kusvika atekeshera nedunhu (1)
Pfupiso
Mudzidzisi anobatsirana nevadzidzi kunyukura pfungwa huru nomwe dzepfupiso
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvese (10) [30]

112
3. Ngatirungei mutauro
Nyaudzosingwi
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura basa renyaudzosingwi muzvirevo
b) kushandisa nyaudzosingwi muzvirevo zvakakodzera
Zvombo zvingashandiswa
• magwaro enyaudzosingwi
• zvitaitai zvine nyaudzosongwi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanotaurirana mabasa enyaudzosingwi.
2. Vadzidzi vanotsanangura zvirevo zvinoumbwa nenyaudzosingwi dzakapiwa mumagwaro kana
pazvitaitai.
3. Vadzidzi vanoshandisa nyaudzosingwi dzakapiwa muzvirevo.
Mhinduro
Vadzidzi vanogona kuumba zvirevo zvakawanda zvakasiyana. Chinodiwa kuongorora kuti
nyaudzosingwi dzapiwa dzashandiswa zvakanaka here.

Inotevera inongova mienzaniso bedzi.


a) Zuva rakazoti vho-o kubuda tanoneta nebadza.
b) Mombe yakanzi twa-a netyava ikamhanya negejo.
c) Yaingova heki heki kukuza zvipani panhimbe.

NOT FOR SALE


d) Mombe dzakati kochonu pajoko ndokutiza.
e) Akadzura nzungu ndokuti mavhu zuu zuu zuu.
f) Akati muridzo tsviyo-o achidaidza Tanatswa.
g) Mipuro yaiti zhii kurova pamwe pavaipura.
h) Ndakadya mhiripiri yanga yakatsvuka kuti piriviri.
i) Zviyo zvakanzi ware ware paruware.
j) Takamhanyira kumba denga rati tsvete nemakore.

4. Ngatiumbei mutauro
Mupanda 19
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa chivakashure chemupanda 19
b) kudoma zvinoreva mazita emupanda 19
c) kushandura mazita emimwe mipanda achiva emupanda 19
d) kushandisa mazita emupanda 19 muzvirevo zvine sungawirirano yakanaka
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• bhambiri rine zvivakashure zvemimwe mipanda yakadzidzwa
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavadzokorore zvivakashure zvemipanda yavakaita kumashure iri pabhambiri.
2. Mudzidzisi ngaatsanangure chivakashure chemupanda 19 uye kuti chinoita kuti zita rirevei
kana raiswa mumupanda 19.
3. Vadzidzi ngavashandure mazita emimwe mipanda achiva emupanda 19.
4. Vadzidzi ngavashandise mazita emupanda 19 muzvirevo vachishandisa sungawirirano yakanaka.

113
5. Ngatirungei mutauro
Misambo: Kudya kwepanhimbe
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura magoverwo aiitwa zvekudya panhimbe
b) kutsanangura hari dzakasiyana-siyana dzaibuda padoro renhimbe
Zvombo zvingashandiswa
• hari kana mifananidzo yehari dzehwahwa dzakasiyana-siyana
• mukokwa
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pemhando dzehari dzakapiwa nemabasa adzo.
2. Mukokwa anotsanangurira vadzidzi chinonzi nhimbe uye zvaiitwa panhimbe.
3. Vadzidzi vachibatsirwa nemudzidzisi vanopa tsananguro yemagoverwo aiitwa zvekudya nedoro.
4. Vadzidzi vanoita basa riri mumabhuku avo ekuverenga.
Mhinduro
Vadzidzi ngavaziviswewo mamwe mazita angashevedzwa hari idzi zvichienderana nenzvimbo
a) Musumo – hari inopiwa baba vemusha kuratidza kuti doro renhimbe raita.
b) Hokeso – hari inopiwa sadunhu kuti akokere nhimbe.
c) Chikururamabhachi – hari yekutanga inonwiwa nevakokwa kunhimbe vamboshanda
zvishoma.
d) Gombora – hari dzakawanda dzekuti munhu wese achinwa.
e) Mharadzamusha – hari yekupedzisira inotaridza kuti basa rapera,vanhu vochienda.

NOT FOR SALE


f) Ndiki – hari yaisarira baba vemusha kuti vazonwa chifume chenhimbe.
g) Tsvamaoko – hari yemadzimai akabika doro. Vaigona kunwa ivo pachavo kana kupa
vavanoda.

6. Ngatiyorei
Rondedzero yenhaurirano
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kukurukura pamusoro perondedzero yenhaurirano
b) kutsanangura matanho pakunyorwa kwenhaurirano serondedzero
c) kunyora rondedzero inobudisa kukosha kwemushandirapamwe
d) kunyora rondedzero ine mwero unotarisirwa
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mabhuku emitambo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita hurukuro pamusoro perondedzero yemhando yehurukuro.
2. Vari mumapoka, vadzidzi vanoita vhendenyuro yemanyorerwo ehurukuro akanaka padandemutande.
3. Vadzidzi ngavape hurukuro vachikwanisa kushandisa vatambi uye kunyora zvakajeka.
4. Vadzidzi vanonyora nhaurirano inobudisa kukosha kwemushandirapamwe.
Cherechedzo: Vadzidzi ngavanyore nhaurirano dzinosvika mashizha maviri. Zvakakosha chaizvo
kuti vadzidzi vaenzanise uremu hwezvinotaurwa nevatauri vari munhaurirano yavanenge vasarudza.

114
Chitsauko
28
Ngano
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kunzwisisa kuti ngano chii
b) kuziva kuti ngano dzinobatsirei muupenyu hwevanhu
c) kuziva mutsauko wengano dzepasichigare nedzechizvino-zvino
d) kuverenga ndima nekupindura mibvunzo
e) kugona kududzira zvirahwe
f) kuziva mutemo wekusaba zvinyorwa zvevamwe

1. Ngatikurukurei
Ngano
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti ngano chii

NOT FOR SALE


b) kutsanangura mabasa engano
c) kutaura ngano dzavanoziva
Zvombo zvingashandiswa
• mabhuku engano
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vaviri kana vatatu vanoita ngano vozoverenga dzimwe mbiri kubva mubhuku rengano.
2. Mudzidzisi nevadzidzi vachakurukura maererano nengano uye basa radzo.
3. Vadzidzi vanokurukura zvidzidzo zviri mungano dzataurwa.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvinangwa zvengano
b) kutsanangura zvimwe zvezvidzidzo zvinowanikwa mungano
c) kutsanangura basa renziyo mungano
d) kuverenga ndima nekupindura mibvunzo yakapihwa
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvinangwa zvengano
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvinangwa zvengano zviri pabhambiri.
2. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekuverenga ndima iyi panguva yavo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvenhoroondo yengano iri mundima.
4. Vadzidzi ngavaite nzwisiso nepfupiso.

115
Mhinduro
1. Kuvaraidza nekudzidzisa (2)
2. Nemadzimbuya (1)
3. Nekuti kunenge kusina basa rakawanda (1)
4. Sarungano (1)
5. Kushanda nesimba, kugutsikana nezvaunazvo, kusaseka vanorarama neurema, kusatarisira
vamwe pasi (3)
6. a) anogona kupedzisira openga (2)
b) ndivo vaive neruzivo rwakawanda (2)
c) munhu wese ane mukana wekudzidza zvitsva kunyangwe akura (2)
d) kana munhu aitirwa zvakanaka, anofanira kujaira kutenda (2)
e) vanhu vaya vanoonekwa sokuti ndivo vakuru kana shasha dzemunharaunda (2)
7. Kukanga maputi nenzungu / kudziya moto (2)
8. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyukura pfungwa huru kubva mundima.
Zvibodzwa
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa mundima. (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Madimikira
Zvinangwa
NOT FOR SALE
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa tsananguro dzinofambirana nemadimikira akapihwa
b) kushandisa madimikira aya mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvirungamutauro zvakasiyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopa mienzaniso inomirira zvirungamutauro zviri pabhambiri.
2. Mudzidzisi ngaadzokorore kutsanangura chinonzi dimikira achipa mienzaniso.
3. Vadzidzi ngavanyore basa riri mumabhuku avo.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavadzokorore madimikira anyorwa.

Mhinduro
a) Kusaita mwana
b) Kusavimbika kumukadzi kana murume wawakaroorana naye
c) Kuitiswa nhumbu
d) Kuenda kusango / kunoita tsvina
e) Kuva nepamuviri / nenhumbu
f) Kubata pamuviri
g) Kutaura zvinorwadza asi zvichisanganiswa nezvakanaka kuitira kuti anoudzwa asarwadziwe
h) Kuzvara / kusununguka

116
4. Ngatiumbei mutauro
Mupanda 21
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma chivakashure chemupanda 21
b) kutsanangura zvinoreva mazita anopinda mumupanda uyu
c) kupindura mubvunzo wakapihwa
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine chivakashure chemupanda 21 nemazita emupanda 21
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaatsanangurire vadzidzi maumbirwo emupanda 21 vachishandisa muenzaniso
uri pabhambiri.
2. Vadzidzi ngavape mienzaniso yemazita ari mumupanda 21.
3. Vadzidzi ngavanyore basa rakapihwa.
Mhinduro
Vadzidzi vachapa mazita akasiyana-siyana. Cherechedzai kuti mamwe mazita anotanga na /zi-/
haapindi mumupanda 21 seaya: zizi, zino, zita, zera, zen’e nemamwe.

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Mutemo unodzivisa kuba zvinyorwa zvevamwe
Zvinangwa
NOT FOR SALE
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma matanho anotorwa pakutsikisa zvinyorwa
b) kutsanangura kuti ka© kanorevei
c) kutsanangura mitemo inorambidza vanhu kutora chinyorwa chemumwe munhu vochishandisa
sechavo
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mukokwa kubva kuvatsikisi vezvinyorwa
• muenzaniso wemutemo wevanyori
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita vhendenyuro yezvekuchengetedzwa kwezvinyorwa padandemutande chidzidzo
ichi chisati chaitwa.
2. Mukokwa ngaakurukure nezveCopyright.
3. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite tsvakurudzo yematanho anotorwa pakutsikisa.
4. Vadzidzi ngavaise basa ravo muhomwe dzavo dzekuchengetera zvinyorwa.

6. Ngatitsanangurei
Zvirahwe
Zvinangwa
Panopera chidzidzo, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kududzira zvirahwe zvakapihwa
b) kutsanangura zvinoreva zvirahwe izvi

117
Zvombo zvingashandiswa
• mukokwa
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita vhendenyuro yezvirahwe chidzidzo ichi chisati chaitwa.
2. Mukokwa ngaakurukure nevadzidzi nezvezvirahwe.
3. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite basa ari oga.
4. Mudzidzisi ngavatungamire hurukuro ichaitwa mushure mekukwenywa kwebasa.
Mhinduro
a) kakadzi kanobika doro rinonaka - nyuchi
b) imba yaamai vangu haina musuo - zai
c) ane mhanza ngaarohwe - ngoma
d) kachembere kanodhonza sanzu nemuromo - tsono
e) chitima chemusango - zongororo
f) chidembo tamba-tamba muswe ndakabata - badza
g) amai ndebvu baba ndebvu - chibage / mbudzi
h) chinoriga ishe padare - hope
i) tamukomba tikamuparadza - sadza
j) tukomana tunorwa twakaisa makumbo mudenga - mafeso
k) imba yaamai vangu inomira negumbo rimwe - howa
l) kuenda humbangu kudzoka humbangu - goni

NOT FOR SALE

118
Chitsauko
29
Mitambo
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kukurukura pamusoro pekukosha kwemitambo
b) kudonongodza mitambo yavanoziva
c) kuverenga nekupindura mibvunzo yenzwisiso
d) kududzira tsumo vachishandisa tunyaya
e) kushandisa nguva dzezviito muzvirevo
f) kunyora rondedzero dzetsananguro

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kubudisa makoshero akaita mitambo yakasiyana-siyana
b) kudonongodza mitambo yavanoziva
c) kutsanangura mifananidzo semaonero avo mitambo iri kubudiswa

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo yemitambo
• dandemutande reruzivo
• dura romudzidzisi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita hurukuro pamusoro pekukosha kwemitambo.
2. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanodonongodza mitambo yavanoziva pasi rose vachibatsirwa
nemifananidzo yemitambo yakapiwa.
3. Vadzidzi vanotsvaga padandemutande reruzivo mitemo inoshandiswa pamitambo yavadoma.
4. Vadzidzi vanoedzesera kuita mutambo unovanakidza.
Zvinotarisirwa kubuda muhurukuro
Vadzidzi ngavakurukure pamusoro pemitambo vachiburitsa matambirwo nemakoshero ayo
muupenyu. Vadzidzi ngavaongororewo mitambo yavanayo neyavasina vachiburitsa
zvimhingamupinyi zvinoita vasave nemimwe mitambo mudunhu mavo kana nepachikoro
pavo.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga ndima yemutambo weAFCON 2017 – Malawi ichitatsurana neZimbabwe munhandare
yeNational Sports Stadium
b) kuziva vatambi vavo veZimbabwe
c) kutsanangura maitirwo emutambo wenhabvu
d) kupa murairidzi mukuru wechikwata cheZimbabwe

119
Zvombo zvingashandiswa
• mifananidzo yevatambi venhabvu
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoongorora nezvemutambo wenhabvu vachibatsirwa nemifananidzo yakapiwa.
2. Vadzidzi vanodevana pakuverenga ndima zvakatsetseka.
3. Vari mumapoka, vadzidzi vanopihwa zvitaitai zvine mibvunzo inobudisa zviri mundima.
4. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso vachishandisa zviri mundima.
5. Vadzidzi vanonyora nzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. Malawi neZimbabwe (1)
2. Munhandare yeZimbabwe National Sports Stadium (1)
3. Calisto Pasuwa – Zimbabwe, Enerst Mtawali – Malawi (2)
4. Change chave nemakore gumi (1)
5. a) Chakafuma chiri chibatabishi (2)
b) Zimbabwe yakange yambozvambura Malawi kumusha kwayo (2)
c) Vatambi veZimbabwe vaitova nemuchuchu (2)
d) Chakaroverwa mumambure naKnowledge Musona (2)
e) Haina kukanda mapfumo pasi (2)
6. a) Mari yavakange vavimbiswa
b) Chishuwo chokupindawo mumakwikwi eAFCON mushure mekukundikana kwemakore
gumi (2)
7. Munyika yeGabon (1)
8. 2004 na 2006 (1)
9. Vatambi vaigona chose kupanana mabhora sechikwata chine humwe chete. (1)
10. Pfupiso
NOT FOR SALE
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru dzepfupiso.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvese (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Kududzira tsumo netunyaya
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvinorehwa netsumo
b) kunyora kanyaya kanodudzira tsumo yapihwa
Zvombo zvingashandiswa
• dura romudzidzisi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita hurukuro vachidudzira tsumo.
2. Vadzidzi ngavanyore tunyaya twupfupi tunobudisa zvinorehwa netsumo.

Cherechedzo: Ongororai kuona kuti tunyaya twanyorwa tunodudzira here tsumo yacho yasarudzwa
nemudzidzi. Batsirwai nemuenzaniso uri pazasi, unova uri mubhuku revana zvakare.

120
Muenzaniso:
Sango rinopa waneta
Chikwata chenhabvu chemuno change chave nemakore gumi chichikundikana kusarudzwa, mumapoka
achaiiswa chairakashwa nedzimwe nyika zvakanga zvotoodza vatsigiri vacho muZimbabwe. Musiwa
5 Chikumi chikwata chemuno chakazogona kudya cheMalawi nezvibodzwa 3 kwa 0. Izvo zvakaita
kuti chigume chave icho chave pamusoro muboka L machaikwikwidza chiri. Chokwadi sango
rinopa waneta. Hezvo gore ra2016 chikwata cheZimbabwe chapinda mumakwikwi eAFCON
mushure mekudyiwa kwenguva huru.

Mudzidzisi ngavagamuchire tunyaya twupfupi twungangoita ndima imwe chete asi tuchiburitsa
zvinorehwa netsumo dzakapiwa.

4. Ngatiumbei mutauro
Nguva dzezviito: Zviratidzanguva
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyurura zviratidzanguva zviri muzviito
b) kunyora zvirevo vachishandisa zviratidzanguva zvakasiyana-siyana
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zviratidzanguva
• mabhuku enganonyorwa
Maitirwo echidzidzo

NOT FOR SALE


1. Mudzidzisi anotsanangura zviratidzanguva zviri pabhambiri.
2. Vari numapoka, vadzidzi vanonyurura zviratidzanguva mumabhuku enganonyorwa avapihwa.
3. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Vadzidzi ngavagone kushandisa nguva dzezviito dzakasiyana-siyana muzvirevo. Vanotarisirwa


zvakare kugona kunyukura mavara ari kuratidza nguva dzechiito muchiito chavanenge vapiwa.
Nguva dzezviito dzavanosungirwa kushandisa ndedzinotevera.
a) Nguva yakare, -ka-
b) Nguva ichauya, -cha-
c) Nguva yazvanga zvichiitika, - chi-
d) Nguva yezvichangobva mukuitika, -a-
e) Nguva yezvinogaroitika, -no-

5. Ngatirungei mutauro
Misambo: Mitambo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutaura nezvemitambo vachipa vatambi muzvikwata
b) kutsanangura zvinotevedzwa pakufambiswa kwemitambo
c) kujekesa nzvimbo dzevatambi vebhora revakomana nerevasikana (remaoko)
Zvombo zvingashandiswa
• bhora, nhandare, pito, zvipfeko zvenhabvu, vanamuzvinapito
• mifananidzo yevatambi venhabvu yechirume neyechikadzi

121
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita hurukuro pamusoro pemutambo wevasikana wemaoko semuenzaniso.
2. Vadzidzi vanobudisa matanho emutambo uyu.
3. Vadzidzi vanoenda kunhandare vonotamba mutambo wenhabvu.
4. Vadzidzi vanotaura zvingaitwe kusimudzira mutambo uyu.

Vadzidzi ngavadzidze mafambisirwo emitambo yavanozvisarudzira. Vachishandisa bhuku


ravo kuona zvavanotarisirwa kuziva pamutambo wega wega sokuti:
Bhora revasikana remaoko.
1. Vatambi vanomwe pachikwata vanoti
a) Vanonwisa vaviri (GS na GA)
b) Vanodzivirira vaviri (GK na GD)
c) Wepakati mumwe chete (C)
d) Vanomira pamakona vaviri (WD na WA)

2. Zvavanopfeka
Vatambi vanopfeka zvirokwe zvipfupi zvakavhurika mumativi, pamusoro pazvo mutambi
anoisa chibhibhi chakanyorwa mavara ari pa 1. Ayo kuratidza nzvimbo yaanotamba ari. Mutsoka
vanoisa shangu dzemutambo. Mapoka anokwikwidzana haatenderwi kutamba akapfeka nhumbi
dzine ruvara rwakafanana.
Vadzidzi ngavaenderere nekupa zvavanzi vaite vachidzidzisana pamusoro pemutambo wavanenge
vasarudza.

6. Ngatinyorei

Zvinangwa NOT FOR SALE


Rondedzero yetsananguro

Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:


a) kukurukura kuti rondedzero yetsananguro yakaita sei
b) kunyora tsananguro yekukosha kwemitambo kana zvingaitwe kukurudzira mitambo mudunhu
ravo, vachitevedzera matanho emhando yerondedzero iyi
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• dura romudzidzisi
• mifananidzo ine mitambo yakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita tsvakurudzo yemanyorerwo erondedzero yetsananguro padandemutande
reruzivo.
2. Vadzidzi ngavaite hurukuro seyeuchidzo pamanyorerwo erondedzero yetsanangudzo.
3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanotsanangura mitambo yavanoziva uye zvinotevedzwa.
4. Vadzidzi vanonyora rondedzero ine mashizha maviri pamusoro wavanenge vasarudza.
Yeuchidzo kuvadzidzisi
• Vadzidzi vanotarisirwa kunyora tsananguro dzinoenderana nemisoro yavanenge vasarudza.
• Nhanganyaya, mutumbi nemhedzisiro ngazvibude pachena.

122
Chitsauko
30
Nziyo
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kuziva mhando yenziyo dzakasiyana-siyana
b) kuziva basa renziyo muupenyu hwevanhu veZimbabwe
c) kugona kupa nhoroondo yekutsikiswa kwemimhanzi nemitemo yakaikomberedza

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mhando yerwiyo rwakapihwa
b) kutsanangura zvinoreva rwiyo urwu
c) kutsanangura kuti rwiyo rwerudzi urwu rwunobatsirei
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mabhuku enhoroondo dzenziyo

NOT FOR SALE


• bhambiri rine mazwi enziyo dzakasiyana-siyana dzemuno
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita vhendenyuro yezvenziyo padandemutande kana mumabhuku enhoroondo
yenziyo, hurukuro isati yaitwa.
2. Vadzidzi vanoongorora nziyo dzauyiwa nadzo.
3. Vadzidzi vanopa pfungwa dzavo.
4. Mudzidzisi anopepeta zvataurwa nevadzidzi ozopeta chidzidzo vadzidzi vachiimba kambo
kane mazwi ari pabhambiri.
Mhinduro
a) Rwiyo rwerufu
b) Nziyo dzerudzi urwu dzinonyaradza vanochema nekuvapa tariro yekuzoonana zvakare nevadiwa
vavo sezvo iri iyo nzira yemunhu wese
c) Upenyu hwepano panyika ndehwenhando nokuti hunopfuura, uye tarisiro yevanhu iri pakuzoenda
kune mumwe musha, kudenga, uko kunoendwa mushure mekufa.
- kumusha unotarisirwa kune zvakanaka chete
- kudenga hakuna mhirizhonga kana kutambudzika, naizvozvo anenge aenda ikoko anenge
awana zororo. Vamwe vanotoshuvira kuti dai paine nzira / mukana, vaitosiya zvepasi
pano kuti vanowana zororo kudenga.
- Mwari ndivo vanoziva kuti mumwe nemumwe anoenda riini kumusha uyu, naizvozvo
chakakosha kutevedzera mirayiro yaMwari, kana nguva yakwana munhu ozozorora.

123
2. Ngativerengei
Nzwisiso
Kwatakabva nenziyo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mhando dzenziyo
b) kutsanangura nhoroondo yemimhanzi muZimbabwe
c) kutsanangura mabasa enziyo muupenyu hweVaShona
d) kuita basa renzwisiso nepfupiso
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaverenge ndima yakapiwa mumabhuku avo ekuverenga.
2. Vadzidzi ngavaverenge ndima munguva yechidzidzo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pezviri mundima vachiedza kujekesa basa
remimhanzi.
4. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. Hapana anonyatsoziva nekuti hazvina kunyorwa pasi (1)
2. Mimhanzi (1)
3. Mbira, hwamanda, ngoma, hosho, zvipendani (chero zvitatu) (3)
4. Vanotomanikidzwa kuti vazive nziyo idzi kuti vagokwanisa kutamba nevamwe (1)
5. Vanhu vanodzishandisa kuperekedza michato (1)

NOT FOR SALE


6. Mudzidzi anopa tumbo twaanoziva twevaimbi vatatu vakasiyana (3)
7. Kugara musango, kukuvara, kufa, nzara nezvimwewo (3)
8. a) Dzekutsvinyira munhu kana kumutuka (2)
b) Panguva yekutambudzika kana kusuwa (2)
c) Yekuisa pamarekodzi nemakaseti kuti veruzhinji vagoteerera (2)
d) Matsotsi anoita zvinhu zviri kunze kwemutemo (2)
9. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyukura pfungwa huru dzinotarisirwa
kubudiswa kubva mundima.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvese (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Enzaniso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvinorehwa neenzaniso dzakapihwa
b) kutsanangura hukama huri pakati pezvinhu zviri kuenzaniswa
c) kushandisa enzaniso mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose

124
Zvombo zvingashandiswa
• dura remudzidzisi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavanyore basa iri panguva yechidzidzo.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezveenzaniso dzakanyorwa, zvikuru vachiburitsa
hukama huripo pazvinhu zviri kuenzaniswa.
Mhinduro
a) hupenyu ivhiri – nekuti hunoshanduka - shanduka sekutenderera kwevhiri
b) muzukuru mukadzi - nekuti ari pedyo nasekuru sezvakangoita mukadzi wavo
c) musha mukadzi - vakadzi ndivo vanowanzo umbiridza musha kuti usaparare
d) ushe madzoro - vanotonga vanopanana mikana, sezvinongoita vemadzoro ekufudza mombe
e) kusaziva kufa - kana usina chaunoziva hapana rubatsiro rwaunokwanisa kupa, zvimwe
chetewo nechitunha
f) rudo moto- moto ukasakuchidzirwa unodzima, ndizvo zvimwe chete nerudo, pakashaikwa
zvinoitwa kuti rwusimbe rwunoparara
g) mvura upenyu – hapana mhuka kana chirimwa chingagone kurarama pasina mvura
h) miti hupenyu - mweya unofemwa nevanhu unobva pamiti, naizvozvo vanhu vanotoda
mweya uyu kuti vararame
i) mufaro mwena- mwena ukatevedzwa unozosvika paunogumira, ndizvo zvimwe chete
nemufaro, kunyange munhu akafara sei, zvinozosvika pakupera otozo mbosuwawo
j) rurimi inyoka - nyoka ine huturu hwekuti kana ikaruma munhu anogona kufa, mashoko
anotaurwa nevanhu anogona kuparadza munhu kana kutosvika pakumuurayisa sezvinongoita

NOT FOR SALE


nyoka.

4. Ngatiumbei mutauro
Mipanda yemazita
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvivakashure zvose zvemipanda yemazita
b) kupa mienzaniso yemazita ari mumupanda wega wega
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvivakashure zvemipanda 1 kusvika 21
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaatsanangurire vadzidzi nzira dzavangashandise pakurangarira mipanda.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure zvinoreva mupanda woga woga vachibatsirwa nezvivakashure
zviri pabhambiri.
3. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi.
Mhinduro
Vadzidzi ngavape zvivakashure zvose nemienzaniso yavo.

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Kunyora kambo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:

125
a) kudoma matanho ekunyora nziyo
b) kunyora nziyo dzekutenda vanhu vakavachengeta
Zvombo zvingashandiswa
• nziyo dzakanyorwa nevamwe
• dandemutande reruzivo
• mukokwa angava muimbi kana mutsikisi wenziyo
Maitirwo echidzidzo
1. Vari mumapoka avo, vadzidzi ngavaite ongororo yenziyo dzakanyorwa nevamwe dzakatsikiswa,
chidzidzo chisati chaitwa.
2. Mudzidzisi anopa mukokwa mukana wekutsanangurira vadzidzi nezvenziyo, kubva pakunyorwa
kusvika pakutsikiswa.
3. Vadzidzi ngavaite basa iri umwe neumwe ari pake ega.
4. Vadzidzi vanoverengerana dzimwe nziyo.
5. Vadzidzi ngavachengete basa ravo muhomwe yakagadzirirwa izvozvo.

6. Ngatitsanangurei
Kutsikiswa kwenziyo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mitemo pakunyora nziyo
b) kutsanangura matanho pakunyora nekutsikisa nziyo

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• magwaro kubva kunevanotsikisa mimhanzi
• makombiyuta
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite basa rake pake ega.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamwe chete maererano nezvavawana.
3. Tsvagai matanho aya padandemutande reruzivo.

126
Chitsauko
31
Zvinodhaka
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kukurukura pamusoro pezvinodhaka
b) kuongorora mawanikirwo anoitwa zvinodhaka nenjodzi dzazvo
c) kuverenga detembo nekupindura mibvunzo yenzwisiso inotevera
d) kushandisa nyaudzosingwi muzvirevo
e) kudoma muitirwi kubva muzvivakwa zvezviito
f) kukurukura pamusoro pezvinofanira kutevedzwa pakutengesa zvinodhaka
g) kunyora rondedzero yenhaurirano pamusoro pematambudziko ezvinodhaka

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mhando dzezvinodhaka dzavanoziva kana dziriko
b) kuongorora matambudziko anokonzerwa nekutora zvinodhaka kuutano uye kutsika
dzevanozvishandisa

NOT FOR SALE


c) kuongorora kuti zvinodhaka izvi zvinowanikwa sei nezvingaitwa kudzivisa kutengeswa kwazvo
d) pose pose uye kuvana vadiki
Zvombo zvingashandiswa
• mukokwa angava mupurisa
• mifananidzo yezvinodhaka
• mapepanhau
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita vhendenyuro yezvinodhaka padandemutande kana mumapepanhau hurukuro
iyi isati yaitwa.
2. Vadzidzi ngavadome mhando dzezvinodhaka dzavanowana munharaunda mavo uye dzimwewo
dzavanoziva kuti dziriko.
3. Mudzidzisi ngaape mukokwa mukana wekukurukura nevadzidzi.
4. Vadzidzi ngavaburitse pachena mawanirwo anoitwa zvinodhaka nevanozvishandisa, vachiburitsa
zvizere tsika dzinobuda mune vanoshandisa zvinodhaka izvi, kuipa kwazvo uye vachipawo
maonero avo pamusoro pekushandiswa kwezvinodhaka nemazera ose asi vakanyanya kurerekera
kune vechidiki.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga detembo nekujekeserana zvariri kureva
b) kukurukura pamusoro perumwe ruzivo rwavagoka kubva mudetembo pamusoro pezvinodhaka

127
c) kupindura mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso
Zvombo zvingashandiswa
• mukokwa angava mupurisa
Maitirwo echidzidzo
1. Mukokwa anopiwa mukana wekukurukura nevadzidzi.
2. Vadzidzi ngavaverenge detembo rakapiwa.
3. Vadzidzi ngavakurukure pamusoro pezviri kutaurwa nanyanduri pamusoro pezvinodhaka.
4. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. Kuwana hope, kurodza njere, kuti vagone kushanda, kukanganwa nhamo. (2)
2. Gosoro (1)
3. Hazvidhaki asina kuzvishandisa (1)
4. Kokeni
5. Zvinoreva ndevo: (1)
a) Pfungwa dzangu hadzishandi zvakanaka kana ndisina kumboputa mbanje (2)
b) Ukatarisa madoro ariko uchaona kuti akawanda zvikuru (2)
c) Kunzwa kuzvivimba kuti ndinogona kuita zvose nenjere dzangu pasina kudhakiswa kuti
ndifunge (2)
d) Mishonga yonwirwa kuti vasingarware vazvidhakise zvavo. (2)
e) Kurega kutevedza tsika dzokudhakwa dzavamwe uchiti unzi wakachenjera kuti uve nembiri (2)
6. Vakudhakisa nhasi mangwana vachati akadzoka odziwanza, kana akadzoka orinyanya (2)
7. Usatsvage masimba kubva mukuzvidhakisa, ita zvose uri iwe. (1)

NOT FOR SALE


8. Aputa mbanjeyo anogopudugura mukonde wesadza ravanhu gumi ari oga. (2)
9. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsire vadzidzi kunyukura pfungwa huru dziri mundima.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvese (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Nyaudzosingwi
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma nyaudzosingwi dziri mudetembo ravaverenga
b) kutsanangura kuti nyaudzosingwi dzinobatsirei kumuverengi
c) kuumba zvirevo zvakanaka vachishandisa nyaudzosingwi dzakapiwa
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine nyaudzosingwi
• mabhuku enyaudzosingwi

128
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaite mutambo du du muduri, vachidoma nyaudzosingwi, kunyanya dzavasangana
nadzo mudetembo.
2. Vadzidzi ngavaumbe zvirevo vachishandisa nyaudzosingwi dziri pazvitaitai vachiburitsa
zvadzinoreva.

Zvirevo zvinogona kusiyana-siyana chaizvo asi chinodiwa kuona kuti nyaudzosingwi yashandiswa
nemazvo here.
Mienzaniso yezvirevo zvakanaka
a) Ati fodya kwee kwee kuputa ndokubva afuridza utsi.
b) Chibhodhoro cheZedhi chakanzi pamuromo tsitsa ndokukuturwa chose.
c) Akati komichi yemaheu kutu yose pasina kuzorora.
d) Murume akaramba angoti meso dzvoko asisagoni kana kubwaira nokudhakwa.
e) Vakawanikwa vachimwa doro muimba yekudzidzira rambei vangoti tuzu nenyadzi.
f) Akanzi jekiseni rimwe chete tyaa mitezo yose ndokuoma.
g) Mapurisa akaera ati fembu kuti munorima mbanje munosungwa.
h) Keresiya akabatisa vaive vamupa mbanje nekungoti nyinu nyinu kuseka oga adhakwa
nayo.
i) Ambuya vakati kanha nazvo Joramu aburitsa doro munhava yake yekuchikoro.
j) Vakawanikwa vakati kubu kurara pazvitoro nekudhakwa.

4. Ngatiumbei mutauro
Mazwi anoreva zvakawanda
Zvinangwa
NOT FOR SALE
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mazwi anoreva zvakawanda, zvakasiyana asi chiperengo chichingova chimwe
b) kushandisa mazwi anoreva zvakawanda muzvirevo zvinoburitsa pachena zvakasiyana zviri
kurehwa pachirevo choga choga
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine mazwi anoreva zvakawanda
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavadome nekutsanangura mazwi avanoziva kuti anogona kupereterwa zvimwezvo
asi achigona kureva zvakawanda.
2. Vadzidzi ngavatsanangure zvakawanda zvakasiyana-siyana zvinorehwa nemazwi akapiwa
pabhambiri.
3. Vadzidzi ngavaumbe zvirevo vachishandisa mazwi avakapiwa mubhuku ravo vachiburitsa
zvakasiyana zvinoreva mazwi acho.
Mhinduro
Vadzidzi vanogona kubuda nezvirevo zvakawanda, ngavagovane zvirevo izvi vachinzwisisa kuti
izwi rashandiswa rinoreva zvipi. Pazasi mapiwa zvinoreva mazwi acho.
a) doro - hwahwa, munda wemupunga
b) dongo - musha wakatamwa, ivhu rekuumbisa hari
c) dombo - ibwe, munyai / samutume
d) dura - munochengeterwa zvirimwa zvakohwewa, kuburitsa chokwadi
e) zeya - kufungisisa, kutenderera
f) musoro - nhengo yemuviri, njere

129
g) muti - mushonga, muti unomera musango
h) nyanga - nhengo yemhuka inotunga, gona remushonga
i) rurimi - rudzi rwaunotaura, nhengo yemuviri
j) dumbu - munopinda zvatinodya, sumbu / dutu

5. Ngatitsvakurudzei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa chenjedzo dzavanoziva dzinonyorwa pamabutiro ezvimwe zvinodhaka zvavakamboona
b) kuongorora kukosha kwechenjedzo idzi kune vanodzinyorerwa
c) kutsanangura matambudziko anokonzerwa nekusachengetedzwa kwemitemo yemazera
anotenderwa kutenga kana kuva panzvimbo dzinowanikwa zvinodhaka
Zvombo zvingangoshandiswa
• maputiro nemabhodhoro ezvinodhaka kana mifananidzo yazvo
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaongorore zvinonyorwa pamaputiro efodya, doro nezvimwe zvinodhaka
vaone kuti zvakanyorwapo zvechenjedzo. Mifananidzo yemaputiro aya inogona kuwanikwa
padandemutande reruzivo zvekare.
2. Vadzidzi ngavatarise uwandu hwechinodhaka chacho muchinwiwa, yambiro dzinopiwa mazera
asingatenderwi neanotenderwa kushandisa / kutora zvinhuzvacho.
Zvingabuda

NOT FOR SALE


Vana vari pasi pemakore gumi nemasere havatenderwi munzvimbo dzokunwira doro. Vadzidzi
ngavaongorore matambudziko anobva pane zvinotevera:
a) Vabereki vanongotuma chero zera kunotenga doro uye vatengesiwo nekuda mari vanongotengesera
mazera ari kunze kwemutemo.
b) Zvitoro zvinotengesa doro zvinofanira kutengesera vanhu vachienda kunonwira kumwe asi
vanotoita sekuti dzimba dzekunwiramo.

6. Ngatinyorei
Tsamba yeyambiro
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvakare mamisirwo etsamba yebasa.
b) kutsanangura basa renhanganyaya nemhedziso panhaurirano
c) kunyora rondedzero yenhaurirano
Zvombo zvingashandiswa
• mienzaniso wetsamba yebasa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita vhendenyuro yemanyorerwo etsamba yeyambiro padandemutande reruzivo
chidzidzo chisati chaitwa.
2. Vadzidzi ngavakurukure pamusoro pemarongerwo etsamba yebasa vakatarisa mienzaniso.
3. Vadzidzi ngavagovane dzimwe pfungwa dzavangawedzere pane dzakapiwa.
4. Vadzidzi vanoverengerana tsamba yebasa yauyiwa nayo nemudzidzisi semuenzaniso.
5. Vadzidzi ngavanyore tsamba inosvika mashizha maviri.

130
Chitsauko
32
Zvokudya
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kuziva zvakawanda maererano nezvekudya
b) kukwanisa kuita sarudzo yakanaka pane zvavanodya
c) kuziva zvirwere zvakasiyana zvinogona kukonzerwa nekusadya chikafu chinovaka muviri
d) kupa zvikonzero zvekuisa mazita mumipanda yakasiyana
e) kuita nzwisiso nepfupiso

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma mhando dzezvekudya nhanhatu dzisingafaniri kushaikwa mumuviri
b) kutsanangura kuti mhando imwe neimwe yezvekudya inobatsirei mumuviri
c) kutsanangura zvirwere zvinogona kukonzerwa nekushaikwa kwezvekudya izvi mumuviri
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• dandemutande reruzivo
• mabhuku ezvekubika nezvekudya
• bhambiri rine mapoka ezvekudya
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita tsvakurudzo yezvokudya padandemutande reruzivo
kana mumabhuku ezvekubika nezvekudya hurukuro iyi isati yaitwa.
2. Mudzidzisi nevadzidzi vanodoma zvekudya zvakakosha.
3. Vadzidzi vanotsanangura nezvemapoka ezvokudya ari pabhambiri vachidoma zvekudya
zvinodiwa paboka roga roga.
4. Mudzidzisi nevadzidzi vanokurukura maererano nezvakakoshera zvekudya izvi pamwe chete
nezvinogona kuitika kumunhu kana akazvishaya mumuviri make.
Mhinduro
Mapoka matanhatu acho ndeaya:
a) Mapuroteni
b) Makabhohaidhireti
c) Mavhitameni
d) Mafuta
e) Mvura
f) Maminarari

131
2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvekudya zvakataurwa
b) kudoma zvirwere zvakataurwa mundima
c) kutsanangura zvakaipira kungodya zvinonaka parurimi chete
d) kutsanangura kukosha kwemvura nezvezvekudya zvisina kutsetswa
e) kupindura mibvunzo yakapihwa
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekuverenga ndima iyi.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvedambudziko remukomana ari mundima yavaverenga.
3. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. Nyemba, mukaka wakakora nemuriwo wemashizha (3)
2. Aipedza mazuva mazhinji asina kuenda kuchimbuzi, tsvina yake yainge yakaomarara, ave
nemaronda ari kunetsa kupora. (3)
3. Kusanwa mvura nekusadya zvekudya zvinobatsira pakugayiwa zvakanaka kwezvokudya (1)
4. Kunobatsira kuti zvekudya zvigayiwe zvakanaka mudumbu(1)
5. Chibage / hupfu, gorosi (1)
6. a) aifara nemari yaaitambira (2)
b) anopedza mazuva akawanda asina kuita tsvina (2)

NOT FOR SALE


c) zvekudya zvinonaka pakudya, kazhinji hazvipi hutano hwakanaka (2)
d) kuva nemuviri wakasimba handizvo zvinoratidza kuti uri mutano (2)
e) ndini ndakakonzera dambudziko rangu (2)
f) wozoudzawo vamwe (2)
7. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsire vadzidzi kuburitsa pfungwa huru kubva mundima
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvese (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Madimikira
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyurura madimikira kubva mukandima kakapihwa
b) kutsanangura zvinoreva madimikira aya
c) kushandisa madimikira aya mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine zvirungamutauro
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanotsanangura nezvemadimikira akapiwa pabhambiri rine zvirungamutauro.

132
2. Vadzidzi ngavanyore basa iri .
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvemadimikira aya mushure mukukwenywa kwebasa.

Mhinduro
a) Kurara nezamu mukanwa - kupusa
b) Kuenda kwamupfiganebwe - kufa
c) Kudya nhoko dzezvironda - kutambura
d) Kurumwa nzeve – kupiwa mazano
e) Kuisa zvimiti munzeve - kusateerera

4. Ngatiumbei mutauro
Mipanda yemazita
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa musiyano wemipanda inotanga nezvivakashure zvakafanana
b) kunyukura zambiringwa munyemba pazvikwata zvakapiwa
c) kupa zvikonzero zvavanyukurira zambiringwa
Zvombo zvingashandiswa
• bhambiri rine mazita ane zvivakashure zvakafanana asi aine mipanda yakasiyana
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaatsanangurire vadzidzi nezvemipanda ine zvivakashure zvakafanana vachishandisa
mienzaniso iri pabhambiri.

NOT FOR SALE


2. Vadzidzi ngavape mienzaniso yemazita ari mumipanda ine zvivakashure izvozvo.
3. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi.
4. Vadzidzi ngavaedze kutsanangura zvavanyukurira zambiringwa munyemba.
Mhinduro
a) mweya b) zigadzi c) roro d) musha e) kamwana
f) katsi g) rume h) kumusha i) kurarama j) kumba
Cherechedzo: Chikonzero chanyukurirwa zambiringwa ndechokuti zita racho harirevi zvakafanana
nemamwe ari muchikwata chariri.

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Kunyora mashoko ekutaura pagungano
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma matambudziko angagone kukonzerwa nekusanwa mvura
b) kunyora mashoko anogutsa anganyengetedze vechidiki kuti vanwe mvura
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutandere ruzivo
• mienzaniso yenhaurwa dzepagungano
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanogona kuita vhendenyuro padandemutande chidzidzo ichi chisati chaitwa.
2. Mudzidzisi ngaatsanangure manyorerwo enhaurwa yepagungano overengera vadzidzi muenzaniso
umwe chete wenhaurwa yepagungano.

133
3. Vadzidzi ngavaite basa iri umwe neumwe ari pake ega.
4. Mudzidzisi ngaaverengere vadzidzi zvinyorwa zvinofadza.
5. Vadzidzi ngavaise basa ravo munhava dzavo dzekuchengetera zvinyorwa.
Zvinotarisirwa
Vadzidzi ngavacherechedze urongwa hwenhaurwa sokuti:
- Nhuriro kuvakuru varipo nevamwe vese varipo
- Chinangwa chenhaurwa
- Misoro mikuru yenhaurwa nekuitandavadza
- Kupeta nhaurwa nekutenda vateereri

6. Ngatitsanangurei
Zvirwere nezvinozvikonzera
Zvinangwa
Panopera chidzidzo, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvirwere zvine chekuita nezvatinodya
b) kudoma nhengo dzemuviri dzinobatwa nezvirwere zvacho
c) kunyora zvikonzero zvezvirwere zvakapiwa
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mabhuku ezvekubika nezvekudya
• mifananidzo yevanhu vane zvirwere zvinokonzerwa nechikafu
• mukokwa

NOT FOR SALE


Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pemifananidzo yevanhu vane zvirwere zvakasiyana-siyana.
2. Mukokwa ngaatsanangure zvirwere zvinokonzerwa nezvatinodya.
3. Vadzidzi ngavaite basa iri umwe neumwe ari pake ega.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavadzokorore basa raitwa.
Mhinduro
a) gurokuro - kushaya ayodhini (munyu) mumuviri
b) kwashi - kushaya zvekudya zvakasiyana-siyana zvinovaka muviri
c) chirwere cheshuga - kuwandisa kana kushomeka kweshuga mumuviri
d) kuora mazino - kudya zvinotapira
e) korera – kushaya hutsanana panyaya dzezvekudya
f) chirwere chemakumbo / gauti - kudya nyama yemombe yakawandisa uye isina kunyatsoibva

134
Chitsauko
33
Zvipfeko
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kukurukura pamusoro pekupfeka kwakanaka kune unhu
b) kuongorora mupfekero unoitwa munharaunda vachipawo pfungwa dzavo
c) kuverenga ndima yenzwisiso nekupindura mibvunzo yenzwisiso nepfupiso
d) kupa tsumo dzinopesana vachiburitsa zvadzinoreva
e) kuisa mazita mumipanda yawo
f) kupa mupfekero wakakodzera pamitambo yakapiwa
g) kunyora rondedzero yegakava

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa pfungwa dzavo pamusoro pemapfekero avanoita mazuva ano
b) kuongorora maratidzikiro kana mupfekero unoyemurika paruzhinji
c) kukurukura pamusoro pezvavapiwa mubhuku ravo

NOT FOR SALE


Zvombo zvingashandiswa
• zvipfeko zvevechidiki
• mifananidzo yevechidiki vakapfeka zvakasiyana-siyana
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavakurukure nekuongorora zvine chekuita nekupfeka kwavanoona kana kwavari
kuita vachipa pfungwa dzavo pamusoro pemapfekero iwayo.
2. Nhungamiri dziri mubhuku revadzidzi ngadzivabatsire kuti vafambise hurukuro yavo.
3. Vadzidzi ngavaongorore pfungwa imwe neimwe zvine udzamu vari mumapoka.
4. Vatungamiri vemapoka vanofanira kuzopakurira boka guru rose zvavabuda nazvo muboka
ravo. Vadzidzi vanofanira kuzova nepfungwa dzokuona kuti mumwe mupfekero hauna kunaka
uye hauna unhu.
Cherechedzo: Mudzidzisi anogona kushandisa mifananidzo yezvipfeko iri padandemutande kana
zvipfeko zvevechidiki zvaanouya nazvo.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga ndima nokunzwisisa zvinoreva mamwe mazwi akashandiswamo
b) kutsanangura zviri kutaurwa mundima pamusoro pemapfekero evamwe vadzidzi vepazvikoro
zvepamusoro-soro
c) kubura pfungwa dzinoumba pfupiso nekupindura mibvunzo yenzwisiso

135
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvemapfekero evechidiki vachishandisa mifananidzo yevechidiki
vakapfeka zvakasiyana-siyana yauiwa nayo kana iri padandemutande.
2. Vadzidzi ngavaverenge ndima vobatsirana kupana zvinoreva mazwi akashandiswa mundima
angangova matsva kwavari.
3. Vari mumapoka, vadzidzi vose ngavaongorore ndima yenzwisiso voburitsa pfungwa dzinoumba
pfupiso.
4. Vadzidzi ngavanyore basa renzwisiso nepfupiso.
Mhinduro dzinotarisirwa
1. Chipo (1)
2. KuUniversity of Cape Town (1)
3. KwaChivi kuMhandamabwe (1)
4. KwaMusiso (1)
5. a) Vairambwa vonzi vatsvage vamwe vasikana mberi (2)
b) Vakanga varonga kuroorana (2)
c) Musikana akanaka uyu akanga amuda kare kare (2)
d) Mabhurugu anodarika matatu (2)
e) Hazvaiita kuti angotevedzera zvose zvinenge zvichiitwa nevaaiona
pachikoro (2)
6. a) Kurukwa misoro
b) Kupfeka mhete
c) Kudembedza mabhurukwa (2)
7. - Anogona kudzivirira kubatwa chibharo

NOT FOR SALE


- Anoita kuti vanopfeka vadziirwe (2)
8. Vamwe vaiita sevachafamba vari muswinda (2)
9. Pfupiso
Vadzidzi ngavanyurure pfungwa huru nomwe, vachibatsirwa nemudzidzisi.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe chete (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoerera (1)
Zvese (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Tsumo dzinopesana
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma tsumo dzavanoziva dzinoreva zvinopesana
b) kududzira tsumo dzacho zvadzinenge dzichireva
c) kuongorora kuti tsumo idzi dzinoraira neuchenjeri sei pakupesana kwadzo
Zvombo zvingashandiswa
• mabhuku etsumo
• bhambiri rine tsumo dzinopesana

136
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavape tsumo dzinopesana vachidudzira nekudoma paikodzera dzidziso yetsumo
yega yega pambiri dziri kupikisana.
2. Vari mumapoka, vadzidzi ngavaongorore kudzama kwaiva kwakaita dzidziso
dzaibva mutsumo vachishandisa mienzaniso yetsumo dziri pabhambiri kana dzavanowana
mumabhuku etsumo.
3. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi.
Mhinduro
a) Tsuro inorohwa negwenzi rayo.
b) Kuwanda kwakanaka kunorambwa nemuroyi.
c) Chawawana batisa mudzimu haupi kaviri.
d) Mandikurumidze akazvara mandinonoke.
e) Kurera nhiriri mumurara mangwana inofuma yokupedzera huku.
f) Mwana asingachemi anofira mumbereko.
g) Gengezha mukombe hazvienzani nokunwa nedende.
h) Ura mapoko/mapoka hunozvara mbavha nomuroyi.
i) Handira inorwa inoonekwa nevanga.
j) Kare haagari ari kare.

4. Ngatiumbei mutauro
Dzokororo yemazita
Zvinangwa

NOT FOR SALE


Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuronga mazita muzvikwata zvemipanda yawo
b) kuongorora pamazita ane ukama hwekuva muchikwata chimwe
c) kutsanangura kuti sei mazita ari kurongwa aya achikodzera kuva pamwe
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine mazita emipanda
• mabhuku ekuumbwa kwemutauro
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaongorore mazita akavhengana ari pazvitaitai vachiona ane ukama vachiaisa
pamwe.
2. Vadzidzi vanofanira kutsanangura zvikonzero zvapa kuti mazita avasarudza akodzere kuva
muboka rimwe.
3. Vadzidzi ngavaronge mazita avakapiwa muzvikwata zvemipanda yawo.
Mhinduro
Mupanda 2 Mupanda 3 Mupanda 5 Mupanda 15 Mupanda 17 Mupanda 18
vadzidzi mukuyu gumbo kudya kuHarare murwizi
varoyi mudzi dombo kuba kunze mumuti
varume musoro badza kutamba kuguta mumba

137
5. Ngatitsvakurudzei
Mitambo nezvipfeko zvayo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa kukosha kwekupfeka kunoenderana nenzvimbo
b) kuongorora mapfekero anoenderana nenzvimbo kana mitambo yakasiyana
c) kuita tsvagurudzo padandemutande reruzivo maringe nemupfekero wemitambo yavakapiwa
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mifananidzo yevanhu vari kuita mitambo yakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavape kukosha kwekupfeka kunoenderana nemutambo kana nzvimbo yaunenge
uri, vachiburitsa zvazvakanakira kune akapfeka wacho uye vanenge vachiona. Hurukuro iyi
inogona kuitwa vadzidzi vachishandisa mifananidzo ine vanhu vakapfeka zvakasiyana-siyana
yakapiwa kana iri padandemutande.
2. Vadzidzi ngavadzidzisane nekuonesana mapfekero anodiwa pamitambo yakaiswa mubhuku
ravo.
Mhinduro
Mudzidzisi ngaaone kuti zvapiwa nevadzidzi zvakakodzera here ozvitambira.

6. Ngatinyorei

NOT FOR SALE


Rondedzero yegakava
Zvinangwa
Panopera chidzidzo, vadzidzi vanotarisirwa kukwanisa:
a) kutaura zvakare marongerwo erondedzero yegakava
b) kupa pfungwa dzingapinda kumativi ose egakava rakapiwa
c) kunyora rondedzero yegakava
Zvombo zvingashandiswa
• mienzaniso yemakakava akambonyorwa nevamwe
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vari vaviri vaviri ngavashandise mienzaniso yemakakava akambonyorwa nevamwe
kupana ruzivo pamusoro pemarongerwo erondedzero yegakava vachipanana pfungwa
dzingapinda kumativi ose egakava maringe nemusoro wavanenge vasarudza kunyora nezvawo.
2. Vadzidzi ngavanyore rondedzero dzavo.
Zvinotarisirwa
a) Vadzidzi ngavanyore rondedzero dzinosvika mashizha maviri.
b) Kukakavara kwavo ngakugutse zvichibva pamusoro uri kunyorwa nezvawo.

138
Chitsauko
34
Midziyo yepamusha
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kuziva midziyo yapamusha nemabasa ayo
b) kugona kunzwisisa ndima nekupindura mibvunzo inobva mairi
c) kugona kutsanangura madimikira
d) kugona kupatsanura zvivakashure zvemazita nemadzitsi emazita
e) kugona kunyora rondedzero yetsananguro

1. Ngatikurukurei
Mabasa anoitwa pamusha
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma midziyo inoshandiswa pakuita mabasa akasiyana-siyana
b) kutsanangura kukosha kwemidziyo
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• dandemutande reruzivo
• midziyo yapamusha kana mifananidzo yayo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita vhendenyuro padandemutande chidzidzo ichi chisati chaitwa.
2. Vadzidzi ngavadome midziyo yavari kuona.
3. Vadzidzi ngavataure mabasa emidziyo yavadoma.
4. Vari mumapoka avo, vadzidzi ngavaite basa rakapiwa.
5. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure zvabva kumapoka.
6. Mudzidzisi anopepeta zvataurwa nevadzidzi.
Mhinduro dzingabuda
a) kubika sadza – mugoti, tsaiya, musika, denhe reupfu
b) kubika doro – mugoti, hari / vambiro, guyo, huyo, mugomo
c) kurima mumunda nemubindu - gejo, badza, joki, chitorobho
d) kuvaka imba – demo, manera, jeko / sekera, mbezo
e) kuchera nekututa mufudze / manyowa kubva kudanga remombe – badza, foshoro, ngoro
f) kusakura mumunda – mapadza
g) kudzura mumba –
h) kuvhima – uta, museve, pfuti, pfumo

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma midziyo yavanowana mundima

139
b) kutsanangura mabasa emidziyo iyi nekukosha kwayo
c) kuita nzwisiso nepfupiso
d) kutsanangura magoverwo akanaka enhumbi
Zvombo zvingashandiswa
• midziyo yepamusha yakaita sezvigaro, ndiro nematemo kana mifananidzo yayo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanokurukura nezvemabasa emidziyo yepamusha vachishandisa midziyo kana
mifananidzo yemidziyo yauyiwa nayo.
2. Vadzidzi ngavaverenge ndima munguva yechidzidzo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pezviri mundima vachiedza kujekesa basa
remidziyo yakasiyana-siyana.
4. Vadzidzi ngavaite nzwisiso nepfupiso.
Mhinduro
1. Nhaka yemufi / kugovewa kwenhumbi dzemufi / kukosha kwekunyora rairanhaka (1)
2. Chivhitivhiti nemudziyo wechando unochengeterwa nyama nezvimwe zvese zvinofanira
kusaora. (2)
3. Kuoma mate mukanwa, kuparadza nhumbi. (2)
4. Anoti chaafunga kana kuti chaatanga kuita, hapana anogona kumudzora. (2)
5. Akashaya pekupinda nekunyara nezviito zvemurume wake. (1)
6. Vainge vagumbuka, uye vairiona sechinhu chisina basa pane zvavaitarisira kuwana. (2)
7. a) ainge akapedza kubvisa pfuma (2)
b) aive nevana (2)

NOT FOR SALE


c) varatidze hunhu hwavo chaihwo (2)
d) vogovana pahukama hwavo (2)
e) vainge vashamiswa nehunhu hwababa ava (2)
8. Pfupiso
Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa.
- kuvigwa kwemwana waVaMurungweni pasina kunetsana sezvo mukuwasha aiva akaroora
zvakanaka
- kuda pfuma zhinji kwaVaMurungweni sezvo mwana aisevenza
- kutora midziyo yose, zvese neyemagetsi chero vaigara kusina magetsi
- voda kutakura zvinhu, mukuwasha akaburitsa gwaro rerairanhaka raiva ranyorwa nemukadzi
achiri mupenyu
- gwaro rakaraira kuti hapana midziyo yaibvapo kusiya kwembatya dzekupfeka
- zvakanyorwa zvaibva kumagweta saka hazvaipikiswa
- VaMurungweni vanoramwa voenda
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvese(10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Madimikira
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:

140
a) kuzadzisa pakashama nemadimikira akakodzera
b) kushandisa madimikira mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• mabhuku enhetembo akasiyana-siyana
• dura remudzidzisi
• zvitaitai zvine tsumo nemadimikira
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaverenge madimikira ari mumabhuku enhetembo kana pazvitaitai.
2. Vadzidzi ngavanyore basa iri panguva yechidzidzo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure zvanyorwa mushure mekukwenywa kwebasa.
Mhinduro
a) Kusabuda pachena pane zvauri kuronga kana zvauri kuda kuita – kurova imbwa wakaviga
mupini.
b) Kuva munhu anonzwira vamwe vanhu tsitsi – kuva netsiyenyoro.
c) Kushingirira kuita chinhu chakaoma – kurovera moyo padombo.
d) Kutaura zvinhu zvinobva zvazoitika saizvozvo – kuva nemuti mumukanwa.
e) Kuve nepamuviri – kutsika mwedzi / kuzvitakura / kurema.
f) Kuva munhu ane usimbe asingadi kushanda – kugarira maoko.
g) Kuroya – kuva munhu asingabvaruri machira.
h) Kurarama munjodzi nepadiki-diki – kupona nepaburi retsono.
i) Kuchembera zvakanyanya – kuve hari yofanzirofa.
j) Kufarisa – kupinda nemwenje mudziva.

NOT FOR SALE


4. Ngatiumbei mutauro
Mipanda yemazita
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma madzitsi emazita ose akapihwa
b) kutsanangura kuti vapatsanura sei mazita aya
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavawane mukana wekuita vhendenyuro padandemutande reruzivo chidzidzo ichi
chisati chaitwa.
2. Mudzidzisi ngaatsanangurire vadzidzi zvavanotarisirwa kuita pabasa rakapihwa.
3. Vadzidzi ngavanyore basa mumabhuku avo.
4. Vadzidzisi vachitungamirirwa nemudzidzisi ngavaite dzokororo yezvanyorwa.
Mhinduro
a) - padza b) - isi
c) - soro d) - sungo
e) - tombo f) - rume
g) - penyu h) - Harare
i) - mhiri j) - ana
k) - mai l) - dya

141
5. Ngatishangazhikei pakunyora
Kunyora rairanhaka
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsangura kuti gwaro rekugova midziyo (rairanhaka) rinonyorwa sei
b) kunyorawo marairanhaka avo vachigova midziyo yavainayo
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• magwaro emagweta
• mienzaniso yemarairanhaka
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaongorore magwaro auyiwa nawo vakurukure nezvawo.
2. Vadzidzi ngavaite basa ravapiwa umwe neumwe ari pake ega.
3. Mudzidzisi ngaaverengere vamwe vadzidzi zvinyorwa zvinenge zvanyorwa zvakanaka.
4. Vadzidzi ngavaise basa munhava dzavo.

6. Ngatitsanangurei
Basa remidziyo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma midziyo yakasiyana inowanikwa pamusha

NOT FOR SALE


b) kutsanangura kuti mudziyo umwe neumwe unoshandiswei
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• matenhe eruzivo akatikomberedza
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaite tsvakurudzo yebasa remidziyo yepamusha padandemutande chidzidzo ichi
chisati chaitwa. 2. Vadzidzi ngavaite basa iri umwe neumwe ari pake ega.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure zvanyorwa.
Mhinduro
a) rusero – kupepeta / kuurutsa zviyo, chibage kana nzungu
b) hadyana – kubikira muriwo / usavi
c) demo– kutema huni kana mapango
d) mbezo – kuveza migoti, majoki nezvikeyi
e) mukombe – kuchera mvura kana doro
f) rukukwe – kuwaridza pakurara kana kugara
g) ngoro – kutakura huni, mupfudze kana zvinhu zvinorema
h) tswanda – kutakurisa kana kurongedzera zvirimwa senyemba
i) pfihwa – kugadzika hari pakubika pachoto
j) muururo – kuboora mipini yemapadza, matemo kana mbezo
k) nhekwe – inoshandiswa kuchengetera fodya
l) gate – rinoshandiswa kubika mupeta wehwahwa
m) tsaiya / tsambakodzi – inoshandiswa kubikira sadza
n) dumho / dungo – itsono inoshandiswa pakusona masaga
o) gango – rinoshandiswa kukanga maputi, nzungu kana nyimo

142
Chitsauko
35
Uori neupfumi
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kukurukura vachiburitsa kuti uori chii
b) kuongorora zvinokurudzira uori, zvingaitwa kuhupedza uye matambudziko anounzwa neuori
kuupfumi hwenyika
c) kuverenga ndima nekupidura mibvunzo yenzwisiso
d) kutsiva zviito nenyaudzosingwi muzvirevo
e) kurebesa zviito mukonzero vozvishandisa muzvirevo kuburitsa zvazvinoreva
f) kuongorora zvinotariswa muhurukuro dzekutsvaga basa nekuedzesera kuzviita nemazvo
g) kunyora rondedzero yetsamba yebasa

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kuti uori chii

NOT FOR SALE


b) kuongorora matambudziko anokonzerwa neuori munyika
c) kupa pfungwa dzavo pamusoro pezvingaitwa kupedza uori
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• zvinyorwa zvinobata uori
• vakokwa semapurisa
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita tsvakurudzo yezveuori padandemutande reruzivo kana
pazvinyorwa zvinobata uori hurukuro iyi isati yaitwa.
2. Vadzidzi ngavakurukure vachionesana kuti uori chii. Vanofanira kuburitsa maitirwo euori
avanoziva.
3. Vadzidzi ngavaburitse muhurukuro kuipa kweuori nematambudziko euori kunyika uye zvingaitwa
mukuedza kupedza dambudziko iri.
4. Vadzidzi ngavasimbise kukosha kwekushanda nesimba, uchidya zveziya rako pane kuda
kupfuma neukopokopo nekubira ruzhinji.

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuverenga nekudodomesa
b) kutsanangura zvirikurehwa mundima pamwe nemazwi angangovamatsva
c) kupindura mibvunzo yenzwisiso nekunyora pfupiso

143
Zvombo zvingatarisirwa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanogona kuwedzera ruzivo nekuverenga nhau dzeuori padandemutande reruzivo.
2. Vadzidzi ngavaverenge ndima vozokurukura nezvayo vachitsanangura mazwi kana ndevo
dziri mundima dzinova dzinobatsira kuti vabate zviri kurehwa.
3. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso pamwe nekunyora pfupiso.
Mhinduro
1. - Munenge muchikurukura
- Munenge muchiseka zvenyu (2)
2. - Zvinofadza
- Zvinorema (2)
3. Kugoverana, rudo ruzere, mufaro, kunyaradzana
4. Chimwe chinogona kutoti ndipowo chihwitsi chiri mumuromo (1)
5. a) Chakati pororo netsvina (2)
b) Chihwitsi chinongobandwa chogopfirwa (2)
c) Ushamwari hwemunhu neinda (2)
d) Hushamwari ngahusave hwekunyengerwa zvikomba zvisiri zvezera rako, iwe wongobvumira
kutya kana kufadza shamwari (2)
e) Shamwari yakanaka inokuda uine maputi, uine mutetenerwa (2)
6. Vataisitururira matohwe ndivo votiseka maparapadzwa (2)
7. Shamawari dzakanaka dzinodzidzisa unhu hwakanaka

NOT FOR SALE


8. Pfupiso
Vadzidzi ngavapanane pfungwa dzavanyora dzinoumba pfupiso.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe chete (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Mutauro usina kudimikirwa (1)
Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Nyaudzosingwi
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsiva zviito nenyaudzosingwi muzvirevo
b) kuongorora nyaudzosingwi dzakasiyana-siyana dzinogona kureva zvimwe chete
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine nyaudzosingwi nezviito zvadzo
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi anotsanangura matsivirwo ezviito nenyaudzosingwi.
2. Vadzidzi ngavaongorore zvitaitai zvine nyaudzosingwi nezviito zvadzo vari mumapoka.
3. Vadzidzi ngavatsive zviito nenyaudzosingwi dzakakodzera muzvirevo.
Mhinduro
Nyaudzosingwi dzinogona kubuda dzakawanda pachiito chimwe chete. Chinongodiwa kuona kuti

144
dzakakodzera here. Naizvozvo zvirevo zvinotevera inongova mienzaniso bedzi.
Homwe dzake dzakati shaku nemari dzefufuro.
a) Runhare rwakati ngiriri ngiriri ngiriri katatu rusati rwadavirwa.
b) Akamuti mbaa ruoko zvine simba akatadza kupunyuka.
c) Simbi dzemapurisa dzakati keche dzichimusunga maoko.
d) Mbavha dzakaramba dzakati kwaka dziri mugwenzi.
e) Vatete vakati nyamu nekukurumidza vanzwa zveuori hwemubasa mavo.
f) Rega kuramba wakati tuzu seusingazivi mhosva yako.
g) Ndafuma muviri wangu wakati rukutu chaizvo.
h) Vana vakati rapata vose sevakafa.
i) Iti shwii muromo wesaga negashu.

4. Ngatiumbei mutauro
Mipanda yemazita
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kushandura zita kuti rive remumwe mupanda
b) kutsiva zvivakashure zvezita richipiwa zvimwe
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine mazita emipanda
Maitirwo echidzidzo

NOT FOR SALE


1. Vadzidzi ngavape mienzaniso yemazita ari mumipanda yose kubva 1 kusvika 21
2. Vadzidzi ngavashandure zvivakashure zvemazita avanozvisarudzira kubva pazvitaitai kuti
ave emimwe mipanda.
3. Vadzidzi vanofanira kuona kuti zita raumbwa rinoramba richireva chinhu muChiShona chakanaka.
Mhinduro
murume (7)_______________chirume
sadza (6)________________ masadza
ruoko (6)_________________ maoko
mombe (21)_______________ zimombe
dhorobha (17)_____________ kudhorobha
musha (16)_______________ pamusha
mumba(8)________________ zvimba
huni(11)__________________ rukuni
mbudzi (10)_______________ mbudzi
vana (13)_________________ twana

5. Ngatitsvakurudzei
Hurukuro yekutsvaga basa
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma zvinowanzobvunzwa muhurukuro dzekutsvaga basa
b) kuedzesera kuitisana hurukuro dzekutsvaga basa
c) kutsvakurudza manyorerwo emaC.V akanaka

145
Zvombo zvingashandiswa
• mienzaniso yezvitambi zvekutsvagisa basa (C.V)
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita tsvakurudzo padandemutande reruzivo chidzidzo ichi
chisati chaitwa iyi isati yaitwa.
2. Mudzidzisi ngaatsanangure nezvehurukuro dzekutsvaga basa (interview).
3. Vadzidzi ngavaedzesere kuita hurukuro dzekutsvaga basa vachitungamirwa nezviri mubhuku
ravo.
4. Vadzidzi ngavapane mazano okukunda muhurukuro dzekutsvaga basa vachitevedza zvinotarisirwa
nemazvo.
5. Vadzidzi ngavadzidzire kunyora maC.V avo

6. Ngatinyorei
Tsamba yebasa
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa urongwa hwetsamba yebasa
b) kunyora rondzero dzetsamba dzebasa
c) kunyora rondedzero yetsamba vachishandisa pfungwa dzezviri kudiwa pabasa racho
Zvombo zvingashandiswa

NOT FOR SALE


• kombiyuta
Maitirwo echidzidzo
1. Vari mumapoka avo, vadzidzi ngavashandise makombiyuta kuburitsa urongwa hwetsamba
yebasa.
2. Vadzidzi ngavanyore tsamba dzokutsvaga basa ravanozvisarudzira kubva pamisoro yakapiwa.
Rondedzero ngadzive neunyanzvi hunotarisirwa pakutsvaga basa.

146
Chitsauko
36
Kuchengetedza nguva
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
a) kunzwisisa kukosha kwenguva mukurarama
b) kuzochengetedza nguva nekuishandisa zvakakodzera
c) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo
d) kushandisa fananidzo zvakakodzera

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kukosha kwenguva
b) kudoma matambudziko anogona kuitika kana munhu akatadza kuchengetedza nguva
c) kutsanangura hukama huripo pakati pemari nenguva
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mabhuku anotaura nezvenguva

NOT FOR SALE


• bhambiri rine hurongwa hwezvidzidzo zvemuchikoro mavo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita tsvakurudzo yezvekuchengetedza nguva padandemutande
reruzivo kana mumabhuku anotaura nezvenguva hurukuro iyi isati yaitwa.
2. Mudzidzisi nevadzidzi vanokurukura nezvekukosha kwehurongwa hwezvidzidzo huri pabhambiri.
3. Vadzidzi vanopa pfungwa dzavo pamarongerwo enguva pabhambiri.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvepose panoda kucherechedzwa nekuchengetedzwa
kwenguva muupenyu.
5. Vadzidzi vanotsanangura kudyidzana kwenguva nemari.
Mhinduro
Zvinhu zvinogona kupedza nguva zvinoverengera:
- kutaura nyaya dzisina maturo
- kuperekedza munhu kwaari kuenda iwe wanga usina kuzvironga
- kutaura parunhare zvisingaperi
- kushandisa dandemutande rekufambisa mashoko zvisina hungwaru
- kutamba mitambo zvisina kana kumborongwa
- kurara zvakapfurikidza
- kufunga pamusoro pezvinhu zvausingakwanisi kushandura
- kutarisa chivhitivhiti nguva yakarebesa

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:

147
a) kudoma zvimwe zvezvinoparadza nguva zvinotaurwa mundima
b) kudoma matambudziko anogona kukonzerwa nekuda kwezvitendero zvakasiyana
c) kupindura mibvunzo yakapihwa nekuita pfupiso
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekuverenga ndima iyi.
2. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamusoro pepfungwa dzakakosha dziri mundima.
3. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso.
Mhinduro
1. Zvese zvinoda kurongerwa, zvese zvakakosha zvakanyanya (2)
2. Hapana chinobatika chaanoita uye anogona kupedzisira oita nezvimwe zvinomupinza
mumatambudziko (2)
3. kutaura nyaya dzisina gwara, kurara zvakapfurikidza (2)
4. makumi maviri nemana (1)
5. zvenhando (1)
6. kuita mitambo inosimbisa muviri nekuwadzana nehama neshamwari (2)
a) nguva kana yapera haidzosereki (2)
b) vanopedzisira vorarama hupenyu husina gwara (2)
c) anopedzisira ongotevedzera vamwe, kunyangwe zvisina kunaka (2)
d) munhu anofaniri kuwana nguva yekuitawo zvimwe zvinhu zvisinei nebasa (2)
e) unozopedzisira woudzwa zvekuita nevamwe vanhu (2)
7. Pfupiso
Mudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru.
Pfungwa huru (7)

NOT FOR SALE


Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Pfungwa dzinoyerera (1)
Zvese (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro
Fananidzo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuzadzisa pakashama nefananidzo dzakakodzera
b) kushandisa fananidzo mukutaura nekunyora kwavo mazuva ose
Zvombo zvingashandiswa
• mabhuku enhetembo akasiyana-siyana
• bhambiri rine fananidzo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavakurukure nezvefananidzo dzavanowana mumabhuku enhetembo
akasiyana-siyana kana pabhambiri.
2. Vadzidzi ngavanyore basa iri panguva yechidzidzo.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure nezvefananidzo.
Mhinduro
a) Shangu dzake dzinonhuwa sechidembo.
b) Simba anorwa semvumba.

148
c) Tanatswa akanaka sengirozi.
d) Ropafadzo ane hanganwa dzinenge dzegunguo.
e) Munashe anorara sedahwa
f) Doro rekwaMukuruva rinovava segavakava.
g) Shangu dzaMai Mhariwa dzine ruvara rutema, dzakasviba setsito / tsubvu.
h) Nzara dzake irefu, dzinobaya semunzwa / tsono.
i) Anenge aneuturu senyoka.
j) Nyaya idzi dzanditemesa musoro, dzinodhaka sedoro.

4. Ngatiumbei mutauro
Zvikwata zvemazita
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma kuti zita rimwe nerimwe riri mumupanda upi
b) kutsanangura zvikonzero zvaita kuti vaise mazita aya mumipanda yakasiyana
Zvombo zvingashandiswa
• zvitaitai zvine mibvunzo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanonyora basa riri pazvitaitai.
2. Vadzidzi vanokwenyerana basa ravanyora.
3. Mudzidzisi nevadzidzi vanodzokorora basa ranhasi.
Mhinduro
a) Nzira
b) Chamupupuri
c) Guru
NOT FOR SALE
-
-
-
9/10
7
5
d) Karume - 12
e) Svosve - 5
f) Nzendo - 10
g) Ura - 14
h) Zimunhu - 21
i) Varairidzi - 2
j) Sahwira - 1a

5. Ngatishangazhikei pakunyora
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura zvakakoshera kurongera nguva
b) kugadzira hurongwa hwezuva ravo
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• hurongwa hwezuva hwakambogadzirwawo nevamwe
Maitirwo echidzidzo
1. Mudzidzisi ngaatsanangure nekupa muenzaniso wezviri kutarisirwa.
2. Vadzidzi ngavaite basa iri umwe neumwe ari pake ega achishandisa hurongwa hwezuva
hwakambogadzirwawo nevamwe.
3. Vadzidzi ngavaise basa ravo muhomwe dzavo.

149
6. Ngatitsanangurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kutsanangura kukosha kwenguva munzvimbo dzakataurwa
b) kutsanangura zvinogona kuitika kana nguva idzi dzikasaremekedzwa
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
• mienzaniso yemagwaro anotaura nguva dzinosimuka matutavanhu kana ndege
• bhambiri rine zviziviso zvemuzvipatara, nhandare nedzimwe nzvimbo dzakasiyana-siyana
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanogona kuita vhendenyuro yenguva padandemutande reruzivo.
2. Vari mumapoka, vadzidzi vanokurukura pamusoro pemagwaro enguva avauya nawo.
3. Mudzidzi umwe neumwe ngaaite basa rake pake ega.
4. Mudzidzisi nevadzidzi ngavakurukure pamwe chete maererano nezvematambudziko anogona
kuitika kana vanhu vakasaremekedza nguva dzemunzvimbo dzakasiyana.
Mhinduro
a) Nguva dzinosimuka ndege kubva panhandare uye nguva dzainomhara
- vanhu vanokwira ndege yacho vanogona kusara nendege kana ikasimuka nguva dzakatarwa
dzisati dzasvika, kazhinji vanhu pavanosvika vanenge vakamirirwa nevadiwa vavo, naizvozvo
ikakurumidzisa kusvika, nyakufamba anonzwa nekugara vanomutambira vasati vasvika.
Ikanonokawo vanenge vakamirira vanogona kuzosvika pakuora moyo nekungomirira
munhu asingazivikanwi kuti anosvika n guvai.

NOT FOR SALE


b) Nguva dzinotanga nekupera chikoro
- dzinobatsira kuti vabereki vazive kuti vanounza nekuzotora vadzidzi nguvai, uye kuti
vadzidzi vacho vazivewo kuti vanotarisirwa kusvika nguvai.
c) Nguva dzekushanyira varwere kuchipatara
- vanachiremba vanofanira kunyatsowana nguva yekubatsira varwere pasina anovakanganisa
- varwere vanowanawo nguva yekuzorora pasina vanhu vakawanda
d) Nguva dzekuvhurwa nekuvharwa kwezvitoro nemamwe mabhizimusi
- vatengi vanoronga nguva dzavanonotenga kana kuita rimwe bhizimusi ravo
- vatengesi vanoranga masevenzero avowo
e) Nguva dzinonyorwa bvunzo
- vanyori vanosvikawo nenguva kuti vagonyora vakagadzikana
- bvunzo hadzizoonekwa nevamwe vanenge vanonoka kutanga

150
Chitsauko
37
Ushamwari
Vavariro
Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:
kutsanangura chinonzi ushamwarikurukura pamusoro peushamwari vakanangana nekuti hunosuganidzwa
nei uye kunaka kana kuipa kwahwo
kuverenga ndima nekupindura mibvunzo yenzwisiso
kuongorora ushamwari hwakaburitswa mundima iri muchitsauko chino.
kududzira tsumo dziri pamusoro peushamwari
kunyukura mabandiko akadomwa pakuvaka mutauro
kuongorora chishamwari vakanangana nemisambo
kunyora rondedzero yenhaurirano.

1. Ngatikurukurei
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuburitsa zvinovaka ushamwari muvanhu

NOT FOR SALE


b) kuongorora ushamwari hwakanaka nehwakaipa
c) kupa zvinokonzera kuita tsika dzakaipa munhu achifadza shamwari
d) kutsvaga shamwari neungwa
Zvombo zvingashandiswa
• dandemutande reruzivo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoita vhendenyuro yeushamwari padandemutande hurukuro iyi isati yaitwa.
2. Vadzidzi ngavakurukure nezveushamwari vachitsanangura ushamwari hwavo.
3. Vadzidzi ngavabudise zvakakoshera zvakare kusangotevedzera zvinoitwa neshamwari vasina
kunzvera kunaka kana kuipa kwazvo.
4. Vari mumapoka avo, vadzidzi ngavatungamirirwe muhurukuro dzavo nezvavakapiwa mubhuku
ravo.
5. Vadzidzi ngavagovane zvavaburitsa kuti vamwe vanzwewo.
Mhinduro
Mudzidzisi komekedzai kuti vadzidzi vatsigire mhinduro dzavanopa kumibvunzo yakapiwa, vachipa
mienzaniso kubva mune zvavanoona pashamwari dzavo

2. Ngativerengei
Nzwisiso
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuburitsa uipi hweushamwari
b) kuverenga ndima nokuinzwisisa

151
c) kubura pfungwa dzinoumba pfupiso yavo
d) kupindura mibvunzo yenzwisiso
Zvombo zvingashandiswa
• nyaya irimubhuku revadzidzi
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaverenge ndima panguva yavo vokurukura pamusoro peushamwari huri mundima
umu vari mumapoka.
2. Vadzidzi ngavakurukure pamusoro peushamwari huri mubhuku ravo rekuverenga.
3. Vadzidzi ngavapindure mibvunzo yenzwisiso seboka.
4. Vadzidzi ngavaongorore ndima vachiburitsa pfungwa dzinoumba pfupiso
5. Vadzidzi ngavanyore pfupiso umwe neumwe pake ega.
Mhinduro
1. Ainzi Gondo (1)
2. Aigara kuSearing Heights / kudzimba dzemuturikidzwa dzekuSearing Heights (1)
3. Vakanga vakurira mumigwagwa yeHarare mavaipemha (1)
4. Sokutaura kwedu mazuva ose, varume tinovimba nenjere dzake bedzi (1)
5. Ndevo idzi dzinoreva kuti:
a) Isu hatina kumbodzidza (2)
b) Hauzoshayi mari zvakare ukauya kuzova nhengo yeboka redu (2)
c) Hauchafaniri kudzokera kuSearing Heights kwausina kufanira kugara (2)
d) Doro rakangaroramba richiuyiswa rakawanda (2)
e) Usaite manyemwe atisingatarisiri pano (2)

NOT FOR SALE


6. Musikana akapiwa Gondo ainzi Maidei (1)
7. Gondo akaratidza kuti anogona kuzvifungira:
a) Paakangobvuma zvake kutamba naMaidei kuitira kufadza shamwari dzake.
b) Kuzoenda nemota yake achiramba kuenda naMaidei. (2)
8. Chirwere cheAIDS (1)
9. Pfupiso: Pfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa.
- Tino kuvhaira nemari oda kuti Gondo ave muchikwata chavo
- hunhu hwanaTino hwavanoita nechikwata chake chakakururira mumugwagwa chinopa
mari
- Tino anoyeuchidza Gondo nezveupenyu hwemumigwagwa
- Gondo anotamba naMaidei onyepera kumuda. Vanhu vanoomberera vatamba ava
- Gondo anoratidza kusada Maidei otsiurwa naMunya
- Gondo anotaura nezvechirwere cheshuramatongo
- Gondo anoda kutiza owanikwa naMaidei neshamwari dzake. Munya anoshamisika
nehambautare yaGondo
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe dzepfupiso (7)
Ndima imwe (1)
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Kuyerera kwepfungwa (1)
Zvese (10) [30]

152
3. Ngatirungei mutauro
Tsumo
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kudoma tsumo dzinoraira pamusoro peushamwari
b) kuongorora kuti tsumo idzodzo dzaidzidzisei pamusoro peushamwari
c) kutsanangura tsumo dzavaipiwa
Zvombo zvingashandiswa
• mabhuku etsumo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavadzidze tsumo dzakapiwa vachiburitsa zvadziri kudzidzisa pamusoro peushamwari.
2. Vadzidzi vanoverenga tsumo dzakasiyana-siyana mumabhuku etsumo.
3. Vadzidzi ngavawane dzimwe tsumo dzavangawedzerawo.
Mhinduro
a) munhu haanyimi unwe wake chaanenge awana, vanogovana.
b) Vanhu kana vaonana vanogona kutotanga ushamwari.
c) Munhu anowanzofambidzana nevamwe vanoitawo sezvaanoita /zvaanofarira.
d) Vanonzwana vanobatsirana pane zvinonetsa.
e) Vanhu vanowanzoumba ushamwari kubva pane zvavanoita pamwe
f) Ukafambidzana nevanoita zvakaipa unogona kutonzi newewo uri muiti wezvakaipa.
g) Ushamwari hunowanzoda vaviri kana mukawanda zvinonetsa

NOT FOR SALE


h) Tsvaga mazano iwe uine zvako zvaunozivawo kuti usangotora nemazano akaipa.
i) Munhu akasateerera mazano avamwe anogona kupinda munjodzi
j) Ushamwari hukanyanyisa hunogona kuguma vanhu vanyandurana

4. Ngatiumbei mutauro
Mazita
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kunyukura mazita ane mipanda yadomwa kubva mundima
b) kutsanangura zvaita kuti vaise mazita mumipanda iyoyo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaite dzokororo yemipanda yese yemazita.
2. Vadzidzi ngavanyurure mazita ane mipanda yapiwa kubva mukandima.
3. Mudzidzisi nevadzidzi ngavaite dzokororo panguva inenge ichikwenywa basa ravo.
Mhinduro
Mazita ari mundima avanganyurura ndeaya:
a) sadza
b) mugoti
c) muberere
d) upfu, usavi
e) shambakodzi, hadyana
f) mate, mapfihwa

153
5. Ngatirungei mutauro
Musambo: Chishamwari
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kuburitsa kuwadzana kunoitwa paushamwari
b) kuongorora zvinotaridza musambo wechishamwari
Zvombo zvingashandiswa
• mabhuku emisambo
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi ngavaite hurukuro vachiburitsa zvinowanikwa muchishamwari vari mumapoka
vachishandisa mabhuku emisambo.
2. Vadzidzi ngavape zvavaunganidza kuboka guru.

Ngavashandise pfungwa dzakapiwa mubhuku ravo sokuti vadzidzi vanogona kuburitsa kuti:
- paushamwari hapana kukudzana kwakanyanya
- vanotaurirana vakasununguka vachiseka vachifara
- vanogona kuita jee nenyaya dzavo
- kumhoresana kunogona kuva kumbundirana
- kushandisa mutauro wakareruka wavanonzwana nezvimwewo

6. Ngatinyorei

NOT FOR SALE


Rondedzero yenhaurirano
Zvinangwa
Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:
a) kupa zvakare marongerwo enhaurirano
b) kunyora nhaurirano vachitevedza zvapiwa
Zvombo zvingashandiswa
• zvinyorwa zvenhaurirano
Maitirwo echidzidzo
1. Vadzidzi vanoverenga zvinyorwa zvenhaurirano vasati vaita hurukuro.
2. Vadzidzi ngavayeuchidzane urongwa hwerondedzero yenhaurirano.
3. Vadzidzi ngavanyore rondedzero dzavo dzenhaurirano.

Zvakakosha kuti vadzidzi vapedze gwaro vave nezvizhinji zvavanogona kudzidza nekutsvakurudza
voga muzvidzidzo zvavo. Ngavapiwe mukana wokudzidzisana manyorerwo enhaurirano uye
pfungwa dzavangaburitsa kusimbisa nhaurirano mativi ose.

154
Chitsauko
38
Dzokororo Yechitathu
Vavariro
Vavariro yechitsauko chino ndeyekuti vadzidzi vakwanise:
a) kunyora rondedzero dzemhando dzakasiyana dzakanyatsorongeka uye dzine zvirungamutauro
zvakashandiswa nemazvo.
b) kupindura mibvunzo yetsumo, madimikira uye nyaudzosingwi.
c) kupindura mibvunzo yenzwisiso yekudoma pfungwa, kududzira mazwi nekutsanangura ndevo
uye kunyora pfupiso.
d) kuwedzera nekusimbisa ruzivo rwavo maererano nemipanda

Bepa rekutanga
Chikamu A: Zvibodzwa 50
Rondedzero
Mudzidzi ngaasarudze musoro werondedzero umwe chete waanoda onyora nemutauro wakanaka,
achishandisawo zvirungamutauro zvakakodzera. Rondedzero yake ngaisvike mazwi mazana matatu
kana mashizha maviri.
- ongororai kuti murondedzero dzavo, vadzidzi vaburitsa pfungwa dzinoenderana nekutsanangura

NOT FOR SALE


zvizere musoro unenge wasarudzwa. Nhanganyaya, mutumbi nemhedziso ngazvive
pachena.

Chikamu B: Zvibodzwa 30
Nzwisiso
Mhinduro
1. Mazera ese
2. Kufirwa, kushayamari, kubatwa chibharo nekurwara
3. mukataura navo vanotokurudunuriraiwo nhamo dzavo
4. Zvinetso
5. Unowana mazano, zvinorerutsa mutoro uye unozoona kuti munhu wese ane
matambudziko
6. Kuzvidya moyo, kuonda, kuzviuraya
7. a) hazvina basa kuti uri mudiki kana mukuru
b) kuudza vamwe vanhu kuyanika nhamo dzako izvo zvingagone kukusekesa nenyika
c) hupenyu hwavo hunoendeka nyore
d) kuudza mumwe munhu kunoderedza kurwadza kwedambudziko
e) pane vamwe vakatombosangana nezviri kukunetsa
8. Pfupiso
Vadzidzi ngavabatsirane nemudzidzisi kunyurura pfungwa huru kubva mundima.
Zvibodzwa
Pfungwa huru nomwe (7)
Ndima imwe (1)

155
Mutauro usina zvirungamutauro (1)
Kuyerera kwepfungwa (1)
Zvese (10) [30]

Bepa rechipiri: Zvibodzwa 50


1. Zvirungamutauro [10]
Tsumo
a) Muroyi royera kure vepedyo vagokureverere
b) Mwana washe muranda kumwe
c) Chakadya chakaoneka mutanda wakasiya mbare
d) Natsa kwawabva kwaunoenda usiku
e) Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto
2. Musambo
a) botso b) bira
c) mukwerera d) kupereka
e) nhimbe f) kukumbira
g) danga h) chisi
i) dare j) gupuro

3. 1. Mutauro [30]
a) vatumwa - mupanda 2
b) baba - mupanda 1a
c) munhu - mupanda 1

NOT FOR SALE


d) guva - mupanda 5
e) amai - mupanda 2b
f) VaUreke - mupanda 2a
g) kumusha - mupanda 17
h) seri - mupanda 17a
i) ruredzo - mupanda 11
j) uswa - mupanda 14

2. Chivakashure Dzitsi
a) hondo N-/i-/dzi- -hondo
b) gororo (ri-) -kororo
c) mukuwasha mu- -kuwasha
d) zuva (ri-) -zuva
e) dambudziko (ri-) -tambudziko
f) muroro mu- -roro
g) zindiro zi- -ndiro
h) zvingwa zvi- -ngwa
i) nyora N-/i-/dzi- -nyora
j) Rudo Ø- -Rudo

3. a) zvivakashure zvafanana
b) sungawirirano yakafanana
c) sungano youshoma nouzhinji yakafanana
d) zvaanoreva zvakafanana
Cherechedzo: Vadzidzi ngavape mienzaniso yakakodzera.

156
NOT FOR SALE

You might also like