Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 123

[1/6, 17:12] +263 78 589 3888: Game of love.

Written by Tshiyiwe (Meme)GONDONGWE


& BRAGGNAVE.
�084 617 3754
064 179 1014

Chapter 1

#REVAI��
Upenyu hunoda kurongwa kwete kungoita mawira mombe. Hama zvandakaona mukurarama and
ipapo pabatisisei kuti zita rakanaka rinosevenzerwa nemwene waro and ngatizvidzidzise
kuziva chaunoda kwete kufungirwa kana kupinda munyakanyaka nekuda kwekuti chero
zvazvaita. Ini Revai ndakave chipo mumhuri medu ndaisangoita gundamusaira mbudzi iri
mumakwai. Baba vangu vaizivikanwa nekupa maorders pamba but ini ndaitopikisa zvisingaiti
ndaingoti hazviiti ipapo ipapo. Baba vaive nechipo chekurova asi pandiri vakakanda mapfumo
pasi. Amai vaimboda kupopota asi ndaivaudza kuti mama I'm doing this for our image ,our
future. Taitarisirwa pasi zvisingaiti mudunhu reShamva but i was ready kumiririra mhuri yedu.
Musanyeperwe kuti musikana haasimudzire mhuri, anotadza nei iye ane pfungwa shanu.

Ini ndonzi Revai Manyere. Kumusha kuShamva kwaChakonda ndokwataigara hedu pazvin'anda
zvezvidzimba zvaiita sezvirikutamba sikokocha. Kukereke taipinda iyi yehunde-hunde iyi
yanamakanda migomo iyi. Baba vangu vaive nevakadzi vatatu. Amai vangu ndovaive vekutanga
asi bvaa gurumwandira revana raivepo waiti pamwe tichaendeswa kumarket. Mutemo wababa
vangu waive wekuti mwana anoenda kuchikoro kuti agone kunyora tsamba chete. Kungoti grade
7 zvaibva zvatokwana ndopaikwanira masters degree rako nekutonoroorwa. Ko kuchechi kwedu
kombonetsa here kungoenda kumusangano wechechi wotonosarako. Ukangoonekwa chifuva
chavekutamba tamba wotochiviwa zvako and hapana kuramba chero chikava chidhara chikuru
kuroorwa. Amai vangu vaive nevana 13, amainini vaitevera vaive ne9 kozoti vekupedzisira vaive
ne 5. Pane vamwe vakamboroorwa vakashaika nenhumbu vachibara. Vana vamai vangu
vasikana vakuru vese vari 7 vakaroorwa muchechi imomo. Four vaitove pamurume umwe chete.
Vamwe vaviri vaive pamurume umwe zvekare kozoti wandaitevera aive pane vakadzi 4 iye
wechi5. Kumasure kwangu kwaive nevakomana 4 nemusikana umwe chete aive wekupedzisira.
Kwana mainini ngoma yaingove imwe chete vana vairoorwa kumadhara emuchechi
zvichitofamba zvakadaro.

Hondo yakazovepo ini ndanyora grade7. Baba vakati kuchikoro hakuchina apa ini ndini ndaive
ndaita highest pachikoro pedu. Ndaive ndatotsvakirwa changu chidhara kuti ndichinotanga imba.
Zvakaoma pachipfuva pangu paive pasina kana chinhu hamheno kuti ndainozvifambisa sei
kuumwenga ikoko. Mainini vangu vaigara kuWadzanai ndovakapenga kudya marasha kutopotsa
vasungisa baba vachiti ndienderere mberi nechikoro. Baba vakandiramwira ikoko mainini
ndokunditora havo. Mainini vaive vakashaikirwa nemurume wavo uye vana vavo vaigara
kuHarare kuhama dzemurume wavo saka vaingogara vega havo. Mainini vaitotamburawo
vaingotengesa tengesa kuti vararame asi vakatsidza kuti vaizomira neni kuti ndipedze chikoro.

Ndakatanga kuenda kuchikoro paWadzanai high school. Ndaiti kana iri weekend ndaibatsira
mainini kutengesa mitsvairo nemabonde kana ndisina kuenda kumba kunoona mai vangu. Mai
vangu ndaivada zvisingaiti zvekuti ndaivanzwira tsitsi apa vaishungurudzwa sei nana mainini
nekuti vaive mukoma nemunin'ina ivo vachingove zindoga. Kuchikoro ikoko vaionesa zvavo ini
ndaive neufende kuda ndokuve mwana mudiki kwacho. Ndakasvika form 2 ndichipiwa pangu
ndega pekugara nenyaya yekunhuhwa weti. Mainini vangu vaimbopota vachirova kudodii asi
zvaisashanda. Zvipfeko zvemukati vaitondiwachira nokuti ndaigona kuita vhiki ndisina kuchinja
apa chinenge chave chikorobho chaicho. Pakatombosvika vamwe mai vaive shamwari uye
vaitengesa namainini vangu ndichirohwa vakabva vati "Mai Mhizha mwana uyu muregei
akadaro mukatomudzidzisa zvekugeza izvi munomupandutsa. Zvinozviita zvega achachinja ega
nekufamba kwenguva". Mainini vakatoti "Shamwari ndanzwa nekudanwa kuchikoro uku
nenyaya dzake dzeutsvina , ugoona hanzi muchikoro basa rake anoita nemazvo uye anogona
chaizvo zvekuti vanoona chiedza paari but iii patsvina apa. Hongu handina hangu zvese
zvakakwana but kungotadza kuwacha nekugeza chete. Ukamutarisa muhuro umu anechikoko
mwana weform 2. Ndomboti ichechi yakamuremadza asi hai bodo tsvoo ndazvitadza". Mainini
vaingozvinetsa havo tsvina yacho ndaisatoiwona zvangu ndaitonzwa ndiriboo. Chikuru ndaenda
kuchikoro ndodzidza the whole week tonyora matest nefriday ndotsvunha zvangu. Shamwari
yamainini yakandinunurira chaizvo kubva musi wavatsiura mainini ndaive ndisisarohwi asi
kuchikoro ndaimbodzoswa kutodzingwa chaiko kana zvanyanya.

Rimwe zuva ndakadzoswa kumba hangu chiri chitatu. Uniform yaiita kuvhunika netsvina
zvekuti nyaya yacho yakatoenda kwaHeadmaster. Ipapo ndaive ndichangobva kurambirwa
kuitwa muprefect nenyaya yetsvina iyoyi. Ndakadarika ndichitora makey kuna mainini ndikatoti
ndonoverenga kumba. Nguva yese yandaitaura namainini handina kumboona kuti pane
mukomana aive akangonditarisa. Ndakati ndakudarika pamusika pamaiSaru shamwari
yamainini iya yekundinunurira ndopandakasanganidzana maziso angu nemukomana uya but
ndakavhunduka. Ndakati asi blazo ava vaona svina yangu iyoyi ndezvake izvo zvekugeza
zvinoitisa body erosion. Ndakaenda kumba ndikaswera ndichiverenga zvangu ndaisada
kutambisa nguva. Ndakazowacha vutovo hwangu hweuniform ikatosara inemisiridzi yetsvina
hanya nani chikuru ndahafura tsvina yacho.

Mangwana acho ndakadzokera kuchikoro semazuva ese. Ini shavi retsvina ndaiva naro chokwadi
munhu akaswera kumba asi handina kumbozvipa nguva yekugeza muviri wangu. Ndakangorara
ndakadaro ndokungomuka ndichiita chigwishu chekugeza makumbo kuseni kwacho.
Maticha angu ndaimapedza power pakuti i was very quiet vaingopopota vorova after that
ndaingoti sorry. Takadzidza zvakanaka ndikapiwa manotes nevamwe ndikanyora. Ndakapedza
vhiki ndichingoenda kumba ndega nekuti ini tsvina yainditserera vamwe vangu vaiperekedzwa
netukomana twavo. Rimwe zuva ndakuenda kumba ndaive nana Tsitsi naSarudzai mwana
weshamwari yamainini vangu taidzidza tese. Ava vaviri smart vaibura and vaive vatove
nezvikomana zvavo zvaivasesedza takubva kuchikoro. Ini ndaigarovati muri mahure
munofamba nevakomana. Mainini vaive vandiudza kuti ukangoita mukomana unofoira.
Ndaitombonzwa vachindinyeya vana Saru nevakomana vavo kuti "uyu anenge anoshandisirwa
mushonga wekukacha migomo nababa vake. Munhu anononera tsvina kuita sechigure kudaro".
Vakomana vazhinji pachikoro vaitotaura kuti "chero tikasara tiri two munyika naRevai haaada
hatibati nguruve yakadai". Ini ndaisazvitsvaka chikoro ndochandaingoda kuitira kuti kupostori
kwedu kumboitawo a graduate. Pandakasvika paive namainini ndakaona mukomana uya welast
week akangomira paaive akamira pandakasanganidzana naye maziso. Akaramba akanditarisa
ndikangoti ayeverwa netsvina iya kkkk. Mukomana aive akazvichenera iyeye perfume yake
yainzwika ari kure kuzoti ukaswedera. Ndakatoridza tsamwa hangu kuti munhu angatozvida
neperfume inoshamisireiko. Ndakapinda road ndokurova pasi zvangu. Pandaive ndave
pakahwanda kubva kumashops ndakanzwa kukosora kumashure kwangu . Munhu wacho akaita
kachikosoro kaya kekuudza munhu ari mberi kwake kuti ndione ndiri kuteera. Pandakati cheu
ndakaona variblaz vaye veperfume yavo yavaive vadirira nharo. Ndakaona akuita sign yekuti
mira handina kumboda kutambisa nguva yangu speed yandakasumuka ipapo nayo ndichitiza
chero iye ndofunga akatozvishaira pazvo.

End of chapter 1
More love.
[1/6, 17:12] +263 78 589 3888: GAME OF LOVE❤

Written by Tshiyiwe (Meme) GONDONGWE & BRAGGNAVE


�0846173754
0641791014

(Chapter two)

#WESLIE��

life is so good eish. Living like a king in my palace. Chii chandaida ndichishaya kugara
ndichifara ndolife yangu. Ndikatoona vanotambura ndaitonzwa tsitsi. Luxurious life, luxurious
cars, luxurious houses and luxurious things, I mean everything was under my hands.

My name is Bradley Wilson. Ndakazvarirwa muguta reHarare. I am the second born Mumba
medu, tiri family of four, two boys and two girl. Vakomana tisu vakuru vasikana vachitevera
havo shure kwedu. Mhuri yedu ine mukomana wekutanga MacDonald,Bradley, Benhilda and
last lil girl Marcia.

Takangokura takadaro and our parents mom and Dady were still alive. My bro Mac akapedza
chikoro akaita degree in mining management. Achingopedza akabva awana basa paShamva mine
ahh ko he was the boss zvee ko kutyei iro gwazhi ranga rakazara. So I was visiting my bro
every weekend hangu coz ndaida kumboonawo different types of people in different areas zve ko
papi pacho but my problem ndaishaya mukana wekunyatso fara coz ndaigara
ndakachengetedzwa imi ahh zvinobhowa. Mudhara wangu was air marshal Ku air force. Avawo
mom vari sister in charge kuGomo hospital. So things were flowing zvekuti ndaitofamba
nadriver wangu kuenda kwese kwandada, at the same time driver was my bord guard. Dady
vanga vasingadi nesu tese yoo zvaitopedzisira zvobhowa. Kumba kwedu kuMandara
ndokwataigara tichidzidza paPrince Edward. Saka kwaingova kubva kumba kuendeswa
kuchikoro then kubva kuchikoro kuendeswa kumba futi ah, was boring hey. So I was
suggesting kubuda paden pamaweekend hangu ndichienda kune dzimwe nzvimbo hangu but my
favorite place was Shamva. Why because ini nebroo yangu we were so close hey taifarirana
zvekuti wasamboziva kuti takasiirana hedu.

Now pakazosvika imwe nguva yekuti ndakanga ndava form 3, ndakaenda kuShamva kunoona
broo yangu as usual. Ndichisvika kuya naBrain my driver takataurirana ndakamuti after seeing
my brother today kutsvaka mashops emuno muShamva timbotandara. Brain zvekutandara
aizvida coz aida beer big time so aibva afara asi the problem was that my father wasn't allowing
any driver to drink beer coz vaiti unozouraya mhuri yangu.kkkkkkk my Dady was so caring kane
kakunetsa at the same time.

Tichisvika paden pebroo yangu Brain akapaka mota paside peyablaz apa tange tauya
neTOYOTA FJ. Vanhu vakanga vatoipa nick name rekuti Gudo.
Brain akauya akandivhurira door but zvaindibhowa shame. Bro was already near the car to
welcome lil bro yavo. Mac anga asati aroora hake.

*Broo* ....... Welcome my young one. I love you my man.tichimbundirana.


*Me*.......... Hooo how are you my bro how is life over here eish I was missing you like crazy
hey. Love you too broo.
*Broo*......Brain hey feel at home hey, hakuna mudhara kuno we are all the same ,and also age
mhani. Zvako zvekuzvininipisa unozviitira Mudhara Wilson mhani let's get inside.
Tichingopinda ndakabva ndananga indoor bar ndokutoraJ B rangu ndokudira muglass ndokunwa
ahh ko zvema wine tanga tangojaira. Brain wadii kumuisirawo Bradie. Ahh no ngauye adire ega.
Hey Brain hausi muenzi muno huya udire wine unwe. So broo wassup nemababe ndakabvunza
broo yangu.
*Broo*....... Iiii ndine 2 mafana hona mapics ayo ahhh kkkkk. ndakatarisa maiweee.
*Me*.... Ahhh usadaro mwana wabambo ummm wakunyanya manje hey ummmmm.
So iwe Mac sha mashops ari muno anonzii.
*Broo*.....ummmmm ukanzwikwa namudhara anosvika kuno sha. Handidi hangu kuzovhiringwa
ini.
*Me*...... Ah no ndikungoda kungoona chete ndodzoka ndotoenda kumba. Akazongoseka Mac
akati panonzi paWadzanai. Pazasi apa 2 km from here. Ndikati ibhoo ndichaendako ndakuenda
kumba.

4:30, sha nguva dzafamba ndakuda kuenda. Ndisati ndapedza Brain akanditambidza phoni yaito
ringer.
Hello dady. Shamva ryt now.
My brother is doing good. Ok dady thanks.
Love you too dady.
Bye.
*Broo* ...... What did he say.
*Me*... He was just asking kuti ndiripi uye kuti arisei Mac, only that.
So rega tibaye sha. Ndoda kusvika pamashops apa. Takabuda hedu naMac tiri kumashure Brain
arimberi. Akasviko vhura door ndichipinda achivhara. Ndakadzikisa window. Bye broo see you
next week hey.

*Brain*.... Boss ndomisa mota papi.


*Me*..Mira pane maApples apo pamusika pana mai avo ehe ipapo. Brain usandivhurira door pliz
handizvidi hangu , unofanira kuzviitira mudhara hanty. Apo ndaitobuda mumota ndakananga
pamusika ndichinotenga MaApples. Vanhu zvino vakanga vangomira mira kuda kuona mota coz
iii yaiva new mudzvimbo. Plus yanga isati yazara muZim, coz mudhara aitenga mota from
America so zvaitora kana 4 years kuti izowanika muZim.
Imarii ma Apples,,,, ndakavabvunza mai vaitengesa ipapo.
Vasati vapindura ndakangoti cheu kumisika iri mhiri kweroad. Ndakazongotora maApples
ndikabva ndanomira kuside kwandakaona shura remwana.
*Brain*....... Boss mabhadhara here maApples. Aah Boss. Boss hey.
Ahhh am sorry Brain enda uvape mari yavarikuda yemaApples ok am kinda busy. Ndakayeva
mwana aive mhiri ikoko ndikanzwa Moyo wangu uchindiudza kuti uyu ndomushandura chete.
Ndakati nechemumoyo. welcome to my world of wealth you little poor and superb gir. Ndiri
pakati pekuyeva mwana uyu akabva azviona hey. Tsvarakadenga tsvori yebabe ummm.
Ndakaramba ndakamutarisa kusvika atarisa pasi. Akabva atanga kuenda hake I think aienda
kumba kwavo coz aibva kutaura nevamwe Mother I think ndovaiva maivake. Tsvina yaitaurwa
Brain kutaura idi handina kumboiona aitohumana hake.

Let's go Brain. Takarova Pasi ndisingatauri asi ndaingofunga hangu mwana uyu. Takasvika
kumba ndakangofizuka.ndakangomhorosa vanhu vese ndichinanga muroom mangu.

*MARCIA*.....Broo Bee what's going on you not happy today why.


*ME*....am ok dear how's been yo day today.
*Marcia*...was fine only that i miss u.
*Me* .....ok dear here now i love you. Give yo broo a kiss,mwaaaaaaaaaaaa���. Ooh that's my
sis. Be a good girl hey. Akadaira hake otoenda.
Kkkk ah next week kushamva futi hapana chekumirira.
Week rinotevera rakandinonokera wena. Kana kuchikoro mafriend angu anga akuti ndiri weak
yet kwaiva kufunga mwana wevanhu wandakaona paShamva.

Friday manheru ndakadana brain ku Cottage kwake ndikamuudza kuti mangwana tiri kudzokera
kuShamva ndakadzokera ndikasviko pinda muroom mangu. Ndikatanga kutambisa phone
ndichitaura nebro yangu pawhats app pamusoro pemwana iyeye. Ndakatozongobatwa nehope
ndichitaura naMac.

Morning handina kuita mafunnies ndakangomuka nekugeza nekupinda mumota takananga


Shamva tikasvika paden pa Mac tikatandara tichitaurawo dzimwe nyaya time time takananga
kumashops. Ndakananga pana mai vaya vakambonditengesera maApple. Ndakanga ndoda kuita
hushamwari navo zve kkkk ko babe ka. Ah ndakavakwazisa ndikazvi introducer kwavari.
Ndikatanga kubvunza nezvemwana uya ndisati ndapindurwa ndakabva ndamuona futi ahh this
time tototaura tese chete. Ndakasanganidzana naye maziso zvekare akabva atotanga kuenda
nesame way yepakutanga ndakaita zvivindi ndikatevera.Brain aida kutevera ndikamuti I will be
fine sara hako. Ndakakosora nhema ndichida kuonekwa achingoti cheu one sign language yangu
yerwoko waa waa ndichimuratidza kuti mira. Maiwee aya zvakaoma akavhura bara wena kutiza
ndakangosara ndakunyara asi ndakaseka hangu. Ndikati I will get u. Ndakangodzoka
ndakananga pamota ndiye muroad kutodzokera kumba kuharare.

Brain akazondiudza kuti phone yaita ma missed call akawanda from mom and dady. Ndakangoti
I don't care what I need is that girl.
Two weeks dzichipera ndakadzoka kuShamva ndikasvika kumba kwaMac ndikamukumbira
hembe dzakasakara coz ndakafunga kuti musikana ari kutya zvandiri nekuti iye aiva akasara asi
akanaka kani ndakangoona kuti pane zviri kushaika paari. Hona manje zvandakazoita ndaenda
netsoka mota ndasiya kumba kwamukoma Mac.iiiiii klkkklkk ayas inini futi.......ndaka.......

End of chapter 2

Watch out for part 3

Love you all.


[1/6, 17:13] +263 78 589 3888: Game of love❤.
Written by Tshiyiwe (Meme)GONDONGWE
&BraggNave
�0846173754
0641791014

Chapter 3
REVAI
Kubva zvandakatiza mukomana uya wemaziperfume ake nemucheno waiita seaive pafashion
parade moyo wangu hauna kumbogadzikana. Ndaizvitongesa kuti ko mhitsa rejaya rakadai raidei.
Pamukomana iye hapambodi rimwe vara kana uchidiscriber runako rwake asi ukangoti
tsvarakadenga yegomana unenge wapedza. Aive neround face kuita like musikana. Zera rake
airatidza kuve zanana but cash was written all over his body. Pfungwa huru yakandishanyira
yakava yekuchekereswa. Kuchikoro taigaroudzwa kuti do not associate with strangers. Hanzi
vanhu vekuchekeresa ava vanoda munhu ane pfungwa dziri sharp ndokuti business riendeke.
Ndakambofunga kuudza mainini vangu umwe moyo ukaramba. Ndakazozvishingisa
ndikazviudza kuti mangwana akangonditandanisa chete ndomurevera. Munhu wepi anoda kuita
mai vangu chiseko kuvakadzi vababa vangu. Kuda kuti mainini vangu vagonzi vakanditengesa.
Nyaya yacho yaive yatove neconclusion kare. Njere dzangu hadzina kumbofunga zverudo kana.
Papi pacho mukomana akadaro iyeye paaizorasa mashoko ake achiudzawo ini ndaitosemwa
pachikoro chaipo. Iko kunyengwa kwacho ndaimboziva kuti kunorevei hangu hapana aive
amboita muyedzo iwoyo wekundiudza kuti ndokuda.

Umwe musi tiri muclass vanhu vakangotanga kuitisana nharo zvikanzi "ndiani akanaka kudarika
vasikana vese muno muclass". Vamwe vakati ndiBridget umwe musikana aive mutsvuku tsvuku
kudarika vanhu vese. Ndakashamisika vanhu vese vachiti "kunyepa varume tarisai Revai muone
kusageza hake asi chikoro chese kunobata kuA 'level Revai anokunda". Yakanetsa nyaya yacho
kusvika vanhu vave kutukana. Pabreak nyaya yakaspreader chikoro chese vanhu vazhinji
vachingoti Revai. Ndakatozonzi dirty miss Wadzanai kkkkkk ini kana kumbozvitsvaka hangu.
According nemataurire evanhu ndakasara ndiri ini munaku chikoro chese but chapa zvekare
kupfuura chikoro chese. Chaindinetsa ini ndaisazviona pese pandainzi namainini " mwanangu
dai uchimboziva kuti wakanaka sei ungadai usingambozvibati rough yaunoita iyi. Ukageza
chaiko ukawana zvikwanisiro chero kunocontester kuve miss Zimbabwe unoqualifier". Ini
ndaingoti mashoko ekuda kuti ndigeze chete.
Ndakazoshamisika Mai Musomi vachindibvunza kuti "ko mukomana uya aive pano musi uya,
nxaa handichazivi kuti chingani hangu, Revai uya mhani aive akachena so. Aifamba nerimwe
zimota so musi wacho unomuzivirepi uye ndiani"? Ndakavatarisa neziso rekubhowekana
vaitofunga kuti ndomuziva ini ndaitoshungurudzika kuti ndiani. Ivo ndovaifanira kundiudza kuti
ndiani anodei nekuti ndakavaona vakamira naye 2 days dzose. Ndakazovati handivazivi ini asi
vakati ihama yangu. Kukanzi " ayewa aikubvunza kuti unogarepi uye sezvo waitaura namainini
vako apo akatoti asi ndomai vako here? Iwewo Revai unozonyanyawo tsvina pamwe
ndoyaitomunetsa kuti mainini vako varismart but iwe hauite netsvina. Uniform isisaonekwi kuti
mupono waive papi skirt iriplitted yakuita sesaga. Zvidzore iwe uri munhukadzi and watokuraso".
Ndakangoti ndakuenda ini mai ava vaitoshura chaiko. Tsvee kutengesa basa kustuder Revai
kunge ndiridiagram. Kana dai vakanzi label Revai mai ava vaitonyora nechepahuro kuti
chikoko ,kutsoka voti zvin'aka neman'a.

Ndakabva pana mai Musomi paya ndadumbirwa nemashoko avo. Makey ndaive ndatopiwa
namainini uye vaive vatondiudza kuti ndonobikei manheru. Ndakatanga kufambisa hangu
semunhu angaasarira musi wacho nokuti vana Saru vaive vatove netime vaenda netwukomana
twavo. Ndakatombofunga bhinya riya remucheno hana ikarova. Ndiri mukati mendangariro
ndakanzwa "daddy mhani ndiite zviya zviya zvinonditekenyedza". Aaa pandakasimudza musoro
ndakaona ariSaru nemukomana wake aiita form 5 paWadzanai pakare vakaita kunamatirana
kuita munhu hwani. Hana yangu yakarova ndikati hiii ndochii ichochi ndichitaurira mumoyo.
Ndakamhanya ndokubuda muroad ndaisada kuti vandione because zvavaive vakaita zvaityisa.
Ndichakashamisika kudaro ndakaona Emmanuel akuvhura blouse raSaru hiii ipapo
ndakambotsinzina. Akaribvisa ndokusveerera mapin ebra ndokukatanura. Hama pakabatwa
mukaka kuita separi kukamwa Mhesisi. Chakandinetsa ndechekuti angu mazamu aiti
akadhumiwa kudai chero nemistake ndaiyuwira manje Saru airatidza kusarwadziwa. Ndakangoti
pamwe kusiyana kwevanhu that's why taitovewo nesize yemazamu akasiyana. Chimwe
chakandinetsa ini ndechekuti iye Manu aizviitire nxaa ndakabva ndamuvenga ini.
Vakazopfekedzana blouse ndikaona havo vanhu vakurumana kkkkkk ndakamboda kubuda
kunorandutsira bhururu wangu asi ndakazoona asingachemi ndikati haasati arumwa muregei.
Vakazoregedzana ndikaona Saru opihwa satchel yake yaive kumusana kwaManu ndokuonekana
umwe neumwe oenda kumba kwavo. Saru akatoita zvekumhanya chaiko achibva apa ini
ndikazobudawo mugwenzi ndokutevera. Mangwana acho Saru ndaingonzwa kumunyarira hangu.
Ndipo pandakatanga kuongorora mazamu ake ndikaona kuti aitove ave tambo dzega dzega.

Takapedza 2 weeks kubva zvandaive ndaona mukomana uya wekuda kundicheka, eheka ko
ainditeverera chii ibhinya. Takabva kuchikoro ndinaSaru wangu nevamwewo vasikana
vataidzidza navo. Saru aitobhowekana kuti Manu aive asina kuuya kuchikoro. Anenge aifunga
kunokamiwa kkkkkk. Takadarika nepamusika ndokupihwa makey semazuva ese. Ini
ndakazopihwa mufushwa wemunyemba namaininini ndokupinda road. Ndatifambe fambe
ndakaona mota yandakangofananidza asi ndakashaya kuti ndakamboionepi. Mota yaive
yakanaka iyoyo zvokuti muarea imomo hapana aive nayo. Takazofambisa naSaru ndokubata
vamwe tikaenderera mberi nerwendo. Takusvika panzvimbo yaSaru naManu takaona pakamira
umwe mukomana aive akangopfekawo semufudza mombe. Trousers rakaita rivoo nekaT-shirt
katuku kanenge kemwana wekuprimary kapera muto. Mutsoka aive nemaAirtek airatidza kuve
matsva. Ganda rake raisaenderana nehembe dzaaive akapfeka. Akafamba ndokumira pakati
peroad ndokuti kwazisa. Vanhu vese vaingobwibwinyika kunze kwangu ini. Akazoti "makadii
masisters ndokumbirawo eee kubvunza uyo musikana uyo"ipapo aitendeka ini. Ndakaramba
vamwe vangu vakapopota apa iye aingotevera. Isu taive takutukana nanaSaru vachiti ungashaina
nekubvunzwa shuwa. Ini ndaingoti handidi bvunzwai imi. Vana Saru vakazotanga kuzevezerana
nevamwe zvaisanzwika. Pasina nguva Saru akauya pedyo neni ndokutanga kundirivadza
achiseka seka neni. Vamwe vakatanga kufambisa sevaititiza. Uku Saru aingocheuka cheuka asi
ini ndaizvinzwa kuti blazo vaye verivoo yavo varikutevera. Pandaive ndatodekara Saru
akandisundidzira zvine power iye ndokuita chitsoka nditakure. Ini ndakanopotsa ndadonha
ndobva mukomana uya andibata ruoko. Ruoko rwacho rwaitopokonyoka tsvina asi iye haana
kundiregedza. Ndakarwisa kuti ndibve asi akaramba akangobata. Ndakamboedza kuruma asi iye
ainzvenga achichinjanisa maoko. Ndakazoti ndaneta manje ndopandakati ko unoraira wakabata
munhu here ndiregedze. Pese apa ndaitaura ndakatarisa kuside. Mukomana uya akazoti " shaaa
you're beautiful and.." Haana kupedza kutaura ndakamugamha ndikati so what zvinei
nekundiraira kumba kwedu izvozvo. Akadoedza kudodii asi yaive hondo chaiyo. Akazondiisa
tsamba musatchel mangu ndokundiregedza speed yandakasumuka nayo chero iye akasara
akashamisika. Ndichisvika kumba ndakabika fast fast ndokutoenda kunoverenga. Ndakubuditsa
mabook angu musatchel tsamba iya yakabva yadonha pasi ndikati regai ndiiverenge. Heeee
zvaivemo....

End of chapter 3.
Love you all.❤❤❤❤
[1/6, 17:26] +263 78 589 3888: *GAME OF LOVE*❤

WRITTEN BY

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

(Chapter four)

BRADDLEY ��

KKKKKKKKK ah bro Mac vanemusikanzwa zveshuwa ah kundipa this type of a trouser


*REVOO* asi ah kana une zvaunoda unongoita zvese zvese zve ka Nhai saka Mac atogona and i
think nhasi ndotobudirira chete. Zvese izvi ndaizvifunga ndakamiri panechimwe chikona
chandakamboperera day randakatizwa nebabe. Apo mota tanga takaiviga kuseri kwemashops
since Mac akazoramba kuti ndiende kumashops netsoka plus anga asingadi kuti ndifambe ndega.
Guys ndaiva mune inonzi roots wear. Zvekuti babe paakandiona haana kumbozvifungira kuti
ndiye munhu waakambotiza. Babe akasvika wena ndakabva ndaruma muromo ndikati nhasi
haupabudi ndikakutadza ndakutozouya kuzokunyenga pana mai vako pamusika. Apo ndanga
ndatoita plan yekunyora katsamba wena ndikati ndakasamuwana ndichanosiira mai vepamusika
pandaitenga maApples paya. Tsamba yangu irimo mupocket ye revoo �. Vachingosvika
vasikana ini ndakabva ndamira pakati peroad. yes ndaitoita mukonyo chaiwo nekuti ndaizviona
kuti babe achine dzungu, uye kutoziva kuti Kana chinonzi rudo handina shuwa kuti aichiziva.
*Me*Hie girls.ndakangodairwa nevamwe vaiva navo iye zii zvake.ah zvakaoma.
*Me*can i talk to you.ndichimunongedzera akabva atoshatisa face hake. Vamwe vasikana
vaivapo vakatanga kuzevezerana wena ndikati nhasi hangu chii chikuitika.mumwe musikana
aivapo ipapo airatidza kuti akura akango zevezera babe futi ndikati ah pamwe arikufurira kutiza.
Semunhu Aida munhu ndakaramba ndichitevera. Musikana uya anga ari mukuru pavari
akazongosundidzira babe kwandiri babe rakuda kudonha ndakanoribata ruoko wena.
Ndichingomubata ndakabva ndati nechemumoyo nhasi hautizi. APA kuti ndikuregedze ndinenge
ndatokuudza chete kuti uri tsvarakadenga yebabe wakafanira kudanwa kunzi Mrs wilson.
*BABE*...ndisiye mhani iwe ahh unondibatirei ndokuruma ndisiye usandimanikidza kutaura
newe ndokuzivirepi, ndisiye uko. Pese apa ini ndaingoto kachadzikama chete. Ndakazoona kuti
Kane nharo ndakangobudisa katsamba kangu ini pfee nepanga pakabvaruka bag rake
rekuchikoro paside pezip so.ndichingoisa katsamba musatchel ndakabva ndati babe you are so
beautiful, she said zvine basa rei nekundiraira kumba kwedu izvozvo coz ndakanga ndati Mira
ndoda kukuraira kumba kwenyu. Mapinduriro aakandiita that time I felt that, this girl is very
intelligent. Ndakabva ndamuregedza ndichiti pamwe aita steady. Kkkkk aya kwaniko speed
yaakavhura ipapo ndakasara ndichiseka ndakangoti ukutiza asi mubag umo ndaisa museve we
letter. Ndakatanga kufamba ndakudzokera Kumota kwaiva nabrain. Apa ndapedza mission
nehembe dziya ndakatanga kunyara manje kkk. Ndipo pandakati its true that rudo ibofu, ndanga
ndaita bofu zvekutadza kuona kuti ndakapfeka revoo. Kikikikikiki zvakandiomera.

Brain let's go akasimudza mota brain takananga kumba kwamukoma Mac pashamva gold mine,
ipapo tichibva hedu pawadzanai pacho, ehezve kubabe ka Nhai. Apa ndaifara sei kuti ndakabata
ruoko iiiii ndakafara mhani. KwaMac takangosvika ndichipfeka hembe dzangu ndichisiya revo
yaMac tichibaya kumba kuHarare. Ndichikngosvika paden ndainhofara wena. Hie dady, Mom
and my sisters. Vese vakangoseka so vatoona kuti shasha ikufara nhasi.
*Mom*,,,,, bradley my son come, seat down and tell us the good news that makes you smile like
this today.yes brother even me I wish to know it. That was my lil sister Marcia. Aidaro coz last
time ndichibva kushamva akandiona ndisina mufaro.dady was silent he didn't say anything vanga
vakangotarisa paTV beacause paitoitwa news.
*Me*,,,,,,ok guys let me tell you but before i tell you i want to hear my sisi Benhildah vachitaura
something.
*Benhildah*,,,,,what is Bradie am also waiting for the story tell us we all listening. Benhildah
aiva nenungo dzekutaura hake.
*Me*,,,,,,ok am happy because am going to finish my o'level manje manje kikikikikiki.
Ndakaseka hangu.
Iiiiiiii guys musatinyepera apa. Wakutivhara wakutibhaiza hanty Mumba makaita noise vanhu
vachinditi wativhara taura chokwadi. Ndakazoti ok guys wait.
*Dady*,,,,,dady vakagadzirisa pahuro vakati, ummmmmmm young man u lie to much tell us
what is it that makes you happy , wangobva kwamukoma vako wasvika uchifara than ever before.
"Yes!!!yes!!yes!!yea. Mumba kaita ruzha dady pavakatsigira.
*Me*,,,,,,ok guys since dady vapindira ndakukuudzai, but dady you not serious , I was thinking
that you focusing on TV imi muchitonzwa zvandanga ndichitaura kikikikikiki.
*DADY*,,,, yes my boy tell us beacause now we are very eager to hear whats coz Mr Braddley
wilson to be happy today.
*Me*,,,,,ok guys dady namom promise kuti hamundituki ndikataura. Dady just node his head iri
sign yekuti, yes i promise.ok nda......a.Ndakamedza mate zvishoma apa vanhu vese vanga vati
ziiiii. Ndaaneeee ummmm musikana.
*ALL FAMILY*kikikikikiki ah ayas kikiki. Pakaita nguva yekuseka yakati rebei. Vanhu vese
vachinyarara dady vakazoti. Lets hope ndewe class yako. Ndakabva ndapererwa manje coz babe
aiva tsvarakadenga asi anga asina zvikwanisiro hake but ini pakati pemoyo wangu ndipo
paaitova hake.
*Me*...not like that dady this girl i am talking about ka, i can say she is so beautiful not beautiful
only but superb not only that believe me but Impressive, not only that. wonderful ah dady serious
not only that but Marvelous and ummmm ndingangoti ese mawords erunako aye amaiudza mom
pamakavaona, ndozvandingangoti iye ndozvaari.
*FAMILY*...kikikiki asi braddie wakupenga kai. Vakadaro mom. Kikikikiki anopenga mwana
wako Baba Mac mawords erunako awaindiudza anomazivirepi kkkk zvakakuomera braddie
ahh.bvaa toda kumuona vakadaro mom. Apa pakazoita nyaya manje kuti apo nedzungu rine
babie kana zita chairo handisata ndariziva hey ndichaita sei. Ok lets hope muchamuona henyu.
Asi not now pliz.
Takabva tadya then i go to my sister's room tikanoverenga hedu coz tomorrow we supposed to
go to church.
*BENHILDAH*,,,,bro i think musikana iyeye mwana waStrive Masiwa chaiye hanty?. hey
ndakakwenya musoro manje ndikati eish apa mai vake vanoita zvemusika. Strive Masiwa
imwewo mbada zvayo yemari. Saka pane big different. Just imagine musika necompany
yeEconet ah ndakasticker.
*ME*,,,,, ah iwe asi kuva vapfumi ndiko kunoita udiwe here chero murombo anodiwa dear. Pliz
ngativerenge tivate mangwana kuchurch. Ehezve Ben ndakakasira kumunyaradza coz aitoda
kuonesesa. That time ndakarangarira babe zvese zvekuti anga akasara zvanga zvavharika
chandanga ndakongoziva chete ndechekuti akanga atoisa ronda pamoyo wangu like a tatoo. So
zvainetsa kuridzima.
*SUNDAY*....monaz takangoenda kuchurch tikasvika wo tikaita service. sevanhu vaiva
nemari taingofarirwa nevanhu. After Service kuma past 1 ndakafonera Brain driver wangu
ndichiti auye nemota kuchurch since pakuenda tanga tangoenda nemota 1 se family.
Ryt Brain take me to town ryt now wanna buy something because next week tikuenda
kuShamva.ndakadaro kuna driver wangu. Anamom ndakazoita vekufonera kuti ndaenda coz
pandakabuda vanga vasara vachitaura napastor.
Takapinda mutown ndikatenga hembe dzemusikana wangu. Ehezve anga atova wangu saka
ndanga ndakutoita zvese even though ndanga ndisati ndadiwa but i was very sure kuti
ndinomutora chete. Pakatengwa kani iwe bhutsu ndakangoti since ndisingazivi size yaanopfeka
ndichangotenga 3 sizes 4,5 & 6 coz ndaitoziva kuti 1size pane idzodzi inotokwana chete.
Takadzokera paden but mupfungwa dzangu ndaingoti uku ndiko kutokonya chaiko ah.
Monda ndakabaya pagwazhi pangu asi moyo wanga wakure kani. Mumwe musikana
wandaidanana naye pachikoro ndakanga ndakusatombomutarisa, even thou she was the daughter
from a rich family like us. ndanga ndisisamuoni semunhu. Ainzi Rebbeca shiri. Anga akutoti
akauya pamota kana ndakuenda kumba ndaitomuudza kuti am married. Kikikiki ah shuwa
dzakange dzatodambuka pfungwa dzangu.
Week rakapera wena ndikati ndodzokera zvekare kushamva Kune ruva randakasima. Morning
satday ndakananga futi Shamva but ndichibuda vanhu vakangoti toda mapics ake hey
ndakaomerwa zvaanga achiri ipapo ummmm aisaita kuti ndiuye nemapics. Zvisinei hazvina
kundimisa kuda munhu wangu. Ndakasvika kushamva chandaiziva ndechekuti aitove kuchikoro
since aidzidza even nesatday, iwo ka maextra leasons ka aya. Asi ndaizongono delayer ndiri
kwabro Mac zve.
Kuma1 as usual ndakaenda nemota ndikati nhasi ndosvika nemota kuitira kuti azive kuti ndini
ndakanga ndamubata last week coz mota akatoiwona patainge takaiparker. so was very obvious
kuti akangoiona anobva aiziva, oziva kuti ndini, apo bag rangu raiva riri paside pangu, ko bag
racho ndanga ndotorida kunge iyezve coz maiva nezvinhu zvake kikikikikiki.
Hona skiri randakaita ndichisvika pamusika paya ah. Ndakasvika ndokubva
ndae................kikikikikiki

*END OF CHAPTER 4*
WATCH OUT FOR PART ....5
*LOVE YOU ALL*
Your comments gives us strength
*THANK YOU*
[1/6, 17:27] +263 78 589 3888: Game of love �
Written by TSHIYIWE (MEME )GONDONGWE
&
B.S . BRAGGNAVE. SIKAZ
�084 617 3754
064 179 1014
Chapter 5

REVAI�
Zvaive mutsamba imomo zvaisaenderana nedressing yemukomana iyeye. Chirungu chacho
mavoko ega ega. Iko kunaka kwangu kwaive kongotaurwa ndaive ndakambonyatsoita seiko. Hee
babie you are beautiful, you are an angel papi ipapa nxaaa. Haisi iyo trap yekuda kuzondiruma
sezvaiitwa Saru naManu. Ndakaitora tsamba iya ndokuipetapeta ndokudzosera muchibag changu
ichocho chaive chakaita kunonera netsvina. Ndakatsidza kuti Saru handazombomuudza
zvetsamba iyoyi ane dzungu too much. Kana achida mukomana wacho ngaamunyengeka pane
kundisundidzira ko kana dai ndaurawa nebhinya irori. Ndakatozoipasisa futi yeubhinya iyoyi
nokuti kana aive iye akanyora tsamba iyoyika nezvaaive akapfeka plus ganda rake haaa aida
kuwana masvikiro. Unless kana akanyorerwa but kaperfum kaye kemukomana uya
wandakamboona kumusika ndakakanzwa futi paari. Regai ndisiyane nazvo maybe ndevaya
vakomana vanopedza chikoro oshaya basa but zera rake manje raindirambira. Airatidza kuve
mwanana zvokuti hatingamboti akapedza A'level. Pamwe ndonatural intelligence dzacho but
zvataive takawanda akadii kusarudza umwe nhai. Vamwe vaive necomplete uniform vakapoda
poda. Saru aiuya kuchikoro nemaface powder kana toinda kumba aipoda nevamwe vake
vonakirira. Ndovanhu vaifanira kunetswa naBlazo veRivoo ava kana vaida musikana zveserious.

Patakasvika kuchikoro Saru akamboedza kundibvunza zvemukomana uye asi ndakamurafura


akanzwa parere moyo. Book rangu ndakamunyima achida kuita macorrections. Vana Saru
kwaingove kuperekedza vamwe hapana chaizivikanwa. Akazouya ndokundikumbura ruregerero
akanonditengera freezit ndopandakazotanga kufamba naye but ndakamuudza kuti handidi
kunzwa nyaya dzezvikomana. Manu haana kunge auya kuchikoro zvekare musi uyu saka
takaenda kumba tese naSaru. Saturday takanzi tiuye kuchikoro kuzonyora manotes eGeo because
taive tatadza kunyora fast teacher vachidectetor. Taifanirwa kuzonyorerana paboard then
vozoexplainer monday yacho.

Ndakapfeka katop kangu kewhite kaive kakuda kutoita brown nekutindivara. Skirt ndakapindira
rangu rechikoro iroro raive rekuita sezisaga wakati mai Musomi. Zvitennis zvitommy
zvakabooka zvigunwe kkkk ndaitove correct ndakadaro ini miss malaika vepaWadzanai high.
Vamwe vaive vakachena kani ungambozoti vauya kuchikoro here kuita sevauya kumodelling.
Kumwe kwaiva kukwezva vakomana plus kuda kushamisira chete. Ndaisazvitsvaka zvangu
because vese hapana aiti pwee pagwazhi saka ndaive nani pavari ko pakati bright futureka ipapa.
Takapedza kuma1 ndokutopinda road takananga kumba, semazuva ese taidarika nekumakey.
Saru akafara patakasvika pamagirosa because Manu aivepo akatomumirira. Mai vake vanenge
vaitozviziva zvekudanana kwavo nokuti vaingoita kachikosoro kekuratidza kuti cheuka cheuka.
Mamai aiye zvino kuda zvinhu zvakavaomera. Mwana anosara oda mukomana ivo
vakatononokerwa kare. Ndakazopinda munzira ndakuenda kumba, ndati fambei ndakaona mota
iya zvakare yerunako. Mota yanetsa iyi inotsvakei kuno kumachonyonyo kwakadai.
Ndichakaiyeva makabuda rino jaya rakasvika rakachena apa aive akatakura bag hamheno maive
nei. Akabva angonanga pandaive chaipo ndokusvika achimira mberi kwangu. Ndakaramba
ndakamutarisa ndichifananidza chiso iye haana kumboita dzungu. Pandakatanga kumurangarira
ndakabva ndangonzvengesa meso angu ndokutarisa kuside. Simba rekutiza ndakarishaya ndikati
nhasi ndoda kukuudzisa kana wakajaidzwa. Ndakanzwa akuti "I'm Bradley Wilson ko iwe
unonzi ani"? Ndakamupindura ndichifamba 'unoda kunditoresa chitupa here? Ndakapindura
rough zvangu pane kuti abatikane nemashoko angu akatoti "umm sweet voice i like it".
Ndakabhowekana zvisingaiti nehunhu hwake ,pandaive ndakuda kuwedzera speed akandibata
ruoko zvinesimba. Ndakamboedza kuzuzuma but ndakapedzisira ndaneta. Ndakamubvunza kuti
ko unondibatirei nhaiwe ndisiye ndiende kumba kwedu uchandirovesa namai vangu. Iye kana
hanya nazvo akatotanga kutaura ma i love you iwaya asingazive kuti arikuudza utsi zvaho.
Akazoti "pane zvandakuvigira zviri mubag im sure unozvifarira". Ndakatoona uriiwo mukana
wekuti ndiregedzwe apa hana yairova zvekuti iye akatozviona. Ndakatambira bag riya iye
ndokutoti "that's my girl ". Paakangondiregedza ndakarikanda pasi ndiye chitsoka ndibereke
ndakananga kumba. Pandakacheuka ndakaona achinhonga bag rake ndokundisimudzira ruoko.
Ndakachaya chipisi zviya zvekusumudza chiuno uchizvizudza like uri kunyepudza munhu figa
kkkk inini hamheno kuti ndaifungei ipapa. Iye akatouchira maoko zvake ndokuramba
akandiyeva kusvika ndatipote. Ndakanyatsonzwa kuti ndapunyuka but mashoko ake akaramba
achitenderera mandiri. Chiso chake ndaichiona mumadzengerere ipapo ndaibva ndatanga
kunzwa kumerera like munhu aona zvinotyisa. Ndakaerekana ndati 'ummm mukomana akanaka
uya' pakarepo ndakazvituka ndikanzwa umwe moyo uchiti Retso stop it. Ko rekuti Retso
ndorandaidanwa nanaSaru kana vachida kukumbira macorrections.

Manheru ndakaona mainini vachiuya vakasenga bag riya. Ndakashamisika nazvo plus ndaisada
kuti vazive kuti pane munhu arikundinyangira. Vakasvikoburitsa zvinhu zvaivemo mubag
ndokuisa pasi. Ndakaerekana ndati mama zvinhu zvakanaka kudai mazviwanepi. Mhinduro yavo
ndoyakandipedza "mwanangu ndafara nhasi nokuti wavekuziva musiyano wechanaka
nechakaipa. Wakwanisa kuona kuti hembe idzi dzakanaka kudarika zvawakatipfekera. Chiuya
apa upime hembe idzi tione dzinokwana wozodarozve nekuboots pane masize matatu but iyi size
5 unokwana mwanangu". Ndakamboda kubvunza kuti zvinhu zvinodhura kudai mama but
ndakabva ndabatwa muromo. Kufitwa kwacho kani ndakanzwa mainini voti "ukaenda kunoona
mama vako wakadaika vana mainini vako vanosvotwa". Ndakazozvishingisa kubvunza kuti
madziwanepi hembe idzi chero hangu bag ndaive ndariziva . Ndakagadzikwa pasi ndokutanga
kurairwa patsva. "Mwanangu ndaona mai Musomi vouya pandanga ndiri vachiti pane mukomana
anoda kutaura neni. Paasvika...

End of chapter 5
Love you all.❤❤❤

Your comments is our strength to write next chapter

*AMEN*
[1/6, 17:27] +263 78 589 3888: *GAME OF LOVE*❤

WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.... 6

#BRADLEY

NO NO NO...don't stop pamusika brain tikuda kumira kuroad uko kunoenda nekababe hanty coz
apa mai vacho vangazoona madeals ok lets go that side my man. Brain ndakaona achigutsurira so
ndakabva ndaona mai vacho vebabe vari pamusika vachitarisa havo *TOYOTA FJ*. Ko haisi
mota yekutamba nayo zve imota heavy and mazuva iwawa vanga vasingamboiroti chaiko kkkkk.
Zvisinei takanomira pacorner yangu iya ndikati ee Brain chienda unotenga two madrinks pashop
apo. Brain akamhanya akakasira kudzoka hake......."so boss if she comes i should hide myself
or.......*me*..... Why are you calling me boss nhai Brain how many times i told you that am not
your boss, your boss is Mr wilson my dady not me please you are embarassing me hey. Cal me
Bradie not boss please chero kundivhurira door usatombodaro hako zvondinyadzisa sha.

*Brain*... Ok bo.. Ooh sorry ok Bradie.


*Me*,,, thanks man u are now my big bro....handina kuzopedzisa iweeeee. Brain hona mwana
uya auya hey. Ndakatanga kugadzirisa gadzirisa hembe segentlemanka kuti babe akandiona aite
moyo wekuda zveeee. Kkkkkkk. Ah inini and futi. Ok ndichibva ndavhura door rangu ndokutora
bag rangu ndini uyu kunosangana nebabe rangu aah,,,,,,,,,kunosangana nebabe randaida. Ahhh
asi ranga riri rangu chero ndanga ndisati ndadiwa hangu. Semunhu ndainamata zve saka
ndaingoti nekutenda ndakatodiwa kare.Zvisinei ndakangonanga pamberi pake ndakabata bag
rangu. Akaramba akanditarisa wena I think kuti achati unonzani wo zve coz by that time
ndakafunga kuti achangotiwo mumoyo make aya ndiwo makomorero auya muupenyu hwangu
ndofanira kutomabata nemaoko maviri, but hey apa ndaifunga rinonzi sango chairo. Kuita
mafungira bin ebenzi kuti maybe bin iro ndowana chikafu yet varidzi vebin vakatorara nenzara
nekushaya chikafu vaizowanepi chekurasa,,,,kkkkkkkkk. Aa akaramba akanditarisa ndikati
pamwe akunwa mvura ka hanty. kana munhu akachena kana akagona something which is
admireable munoti aita zvinonwisa mvura saka ndakangoti arikunwa mvura. Ndikatambanudza
ruoko ndichizvi introducer kwaari. Unoziva ukaudzawo munhu zita rako unotarisira kunzwa kuti
am nhingiwo and ana nice to meet you ndopavanopinda wo zve. Akaramba akatarisa ruoko
rwangu hake kunge ari kuona robot ndikati pamwe ayeverwa newatch yegold zve. Ndakabva
ndangoti ah anofunga kuti ndomusiya here ndotomutsveta mumoyo umo. Ndakabva ndangoti
unonzani? Guys amana ka kana ndakamboudzwa rough ka ndo musi uyu. maiwe i feel like
ndaonerwa naambuya ndisina kupfeka wena, guese what ndichingoti whats your name akabva ati
"Asi ukuda kunditoresa chitupa here" kkkk amana ka. Ahh zvakaoma ndakarichengeta iroro
shoko rakandibaya. Asi ndakangoti anoimbira mwana haaneti. Shasha payakazoda kubhaiza
pakufambisa ndisati ndaipa bag manje ndakabva ndaibata ruoko rwuya rwayaisada narwo.
Yakamboita nharo ndakabata ndakaramba ndakaibata chete,,, ndikati kana mai vake vachindiona
nhasi its fine hameno ikoko. Then she said ndisiye and ndakaona kuti adzikama
ndakamutambidza bag achitambira ndikati wo zvee Waal that's my girl". Ah ko ndaizivei kuti
ndanyangira yakasvinura hangu, achingoti two steps ndiye bag pasi tsvee, hey speed yakaburwa
ipapo ndofunga kana Brain akatoti even ndichisimudza mota ka ahhh speed yasimukwa nayo apo
handiikwanisi kkkkkkk. ah ndakambopererwa hangu ndikati, vaikanda mapfumo pasi vaitogona
havo asi ini kana ndakakundikana handikandi pasi coz ndikakanda pasi ndinogona
kuzomanhonga so ndingatomakanda mudenga hangu.anowira hawo kandisingaoni. Asi apa
ndakati ahhh tichaona kunoenda museve nemhuka.
Zvisinei i started to walk back to my car asi iii ndanga ndafizuka. Dont forget kuti kumba vaida
mapics ake.ahhh ndakati maya......."Brain rova mota hande pana mai vaya vemaApple.
Tichingosvika ndakaburuka ndakananga pana mai vaya ndichingosvika handina kumirira kuti
heee heee kutenderera nooo.
*Me*,,,, mother makadii henyu.ndakaona mai vaya vachiratidza kunyatsoterera coz pese
pandaiiuya ndaisamboita serious like zvandaiva apa.
*mother vemusika*...tiripo hedu makadii henyu mukuwasha. Nhasi ndokupai api maApples. Or
mukuda mabanana. ndakatoti ava mai ava ngavadzikame ko dzungu rabvepiko.
*Me*,,,,,no mother there is an issue so i want you to help me..vakaratidza kusanzwisisa ndikati
ok chirungu chavhara muchembere apa......i mean ndikukumbirawo rubatsiro rwenyu pliz.
*mother Musika*,,,,,aaah ndokubatsirai nei mukuwasha nezvandiri zvino iiiii musandidaro
henyu, kudada kwevari mugomo kukumbira mapfihwa varipasi ka uku, ndingakubatsirai sei
hangu ahhh........
*Me*.... Yes you can...i.. I mean munondibatsira, ndinonzi Bradley wilson. Ko imi munonzi mai
ani......."Mai Musoni"........
*Me*....ok mai Musoni munoona ndichiuya pano mazuva mazhinji ndine nyaya.avo mai avo
pane mwana wandoona ari pavari kazhinji so musikana anonzi ani.
*Mai musoni*,...ok uyo wamakambobvunza that day pamusina kuzopedzisa paya....ndakangoti
yessss that girl anonzani....."anonzi Revai.manga matii nhai. Mukuwasha".
*Me*....ok ok ok Revai avo ndivo mai vake hanty. Ndichinongedza mai vake Revai.
*Mai Musoni*,,,,,,ah avo ndimainini vake mai vake vari kumba kwavo kwaChakonda uko iye
kugara kuno kugarira padhuze nekuchikoro.vakadaro vachibva vanyarara.
*Me*,,,,,ok mother ndomuda mwana wavo iyeye Revai.
*Mai Musoni*......yooooo yooo yooo mukuwasha matii aahhh kkkkk. Vakaseka vachirova
maoko.....manyanyoshayei nhai kuno kune vana vanodzidza pachikoro apa vanogeza. Mamadam
chaiwo munokwanisa kutotora anenge atanga. Madei patsvina yaRevai iyoyo. Haasati akugona
kuzvigezesa chaiko. Imi nezvamu.......yoooooo stop !!stop!!!!..... Stop it mother musadaro pliz
munhu iyeye mukadzi wangu...ahh i mean ndinoda kumuroora ave mukadzi wangu. Handina
chandashaya hangu asi uyu ndada and iyoyo tsvina yake ka ndinoida mufunge henyu.....
*Brain*,,,,,bring the bag..... Here you go boss....oohh ok Brain thanks.ndakatambira bag kuna
brain ndikatambidza mai Musoni. Honai mother in this bag mune hembe nezvimwewo ndezva
Revai. Pliz ndokumbirawo munditaurirei namai vake kuti ndoda kuzotaura navo pliz
mundikumbirirewo. Ndinodzoka next week pa weekend coz pakati apa ndinenge ndiri kuchikoro.
Ndakaburitsa $20 ndokuti ndipeiwo mabanana e$5.maiwee mawandiro acho so ka,,,, Brain
akauya akatora mabanana akaisa mumota. Mai musoni vakada kumhanya kunotsvaka change
ipapo ndakabva... Ndaona Brain akuuya achifambisa akanditambidza phone yaito
ringer.....,,hello mom ,,,,am ok mom ok am om my way kkkk am fine
*mom*.....ok be a good boy Braddley.vakabva vadroper havo
*Me* ....ndokuonai next week mother.ndakatanga kufamba hangu.
*Mai musoni*,,,,mukuwasha mirai makusiya change.ndaitovhara door at that time ndakadzikisa
window ndikati its ok mother u can keep it. ..... Brain lets go mom wants me at home now.

Ndakanyarara uku mufaro waivamo mumoyo ndichingoti ah this time zvaita kwandava kuma
extremes now. *phone*.....ngrrrrr ngrrrr ngrrrr. Ee bro Mac whats up man.yea this time i cant
come to your house because mom is calling so am now going back home broo.....ok thanks man i
will be fine. Ok i love you too broo. Ndichingopedza naMac......Kkkkkkkk aah Revai akaoma
shuwa kunditi urikuda kunditoresa chitupa here kkkkk ahhhh. Ndakafamba road yese all the way
from shamva to Harare ndichiseka statement raRevai ahhhh.

*HOME*
How are you mom and dady. Marcia sisi come here......yes Benhilda whats up my sister how
was your day. Ndakamhorosa all my family and i was just smilling.......hapana kupera maminutes
mom vanga vatotanga.
*Mom*....can we have the pics now as you promised us pawabuda.
*my sisters*,,,,,yesss bro curiosity kills us lets see the angel that u have choosen for this royal
family pliz pliz. Marcia aidaro achijambira jambira my phone. No no Marcia wait i will bring the
pics next day , for today i failed to take pics of her .
*Mom*,,,,,, heeeyaa its fine if you say so. So how is your bro Macvdoing.
*Me*he is doing good.he send greetings for the whole family. Ndakanzwa dady vakunditi ndoda
kuti next week Mac auye kuno neQuantum yaainayo ikoko ndoda iiende ku service coz next
weekend iyoyi ndoda tese timboenda kuKariba for a trip tese sefamily. Ndakangoti
nechemumoyo never munoenda mega ini ndikuenda kushamva. Coz hanty mudhara aida kuti
tinoona dam kukariba todzoka tosiya dam ikoko ka. Manje ini ndaida kuenda kunoona ngirozi
yandaida kuzotora ndouya nayo paden. So zvanga zvatoshata nekuti ndaitoziva kuti vachada
kuenda naBrain. So even ndikasaenda ndoenda kuShamva nani. Yet dady doesnt allow me to
loiter around by myself. Zvese izvi zvaingova mupfungwa dzangu. Ndikati ah zvikanetsa
ndoenda nekombi. Ayewa hakusi kupenga zve ko kwaiva memoyo ka.

Ndakazoenda kunoverenga nehanzvadzi dzangu mumba mavo.


*Me*,,,,Beny mukomana akakuti unonzani unotii.
*Beny* .....aahhh i just tell zve, nhai. Its a very clear quesition needs a specific answer ka. where
did you get that quesition
*Me*....kkkkkk ah ndosaka muchingonetswa. Unongobvunza munhu kuti asi ukuda kunditoresa
chitupa here.,,,,Kkkkkkkkk akkkk aha hahahahakkkkkk!!!!!!!. Takaseka nguva refu kusvika
mom vati noise!!!.
*Beny* .....asi wanzwarwo here Bradie. Ndakangoti ndisu tichanzwarwo here . kkkkk asi maitiro
awaita seems as if someone did this to you. Kkkkkk asi rakaipa, from now onwards ndakurova
iroro. Kkkk yoooo.

Takazonovata hedu but was late ku kuverenga kwakazomboitwa here. Hakuna zve tanga
takuseka statement randakakandwa naRevai. Ko imo mumba mangu ndakazobatwa nehope late
ndichingofunga kuti zvafamba sei ikoko. Kuti bag rasvika.kana rikasvika vakasaritambira mai
vaRevai fine.
Takamuka tikaenda kuchurch as usual. Musi wethursday Mac akafonerwa namudhara kunzi
ngaauye nemota iri kuda kuendeswa kuservice kuti ikwanise kuzoenda kutrip isina zvipomerwa.
Akauya nayo akadzokera semunhu aiva pabasa
Friday ndakataura kuti ini handisi kuenda kutrip. Ndichaita trip holiday yangu kumba kwaMac.
Apo ndainyepa hangu ndaida kunoiitira hangu, kusvusvura ndadya yangu....
Satday morning ndakananga kushamva nemakombi since brain aiva iye aizoenda nevanhu kutrip.
Ndakananga shamva ndichisvika kwaMac akashamisika kuti ndauya nei. Ndikamuudza kuti
ndakwira combi hangu.,,,,,So shaa ndoda mota yako ndoyandichaenda nayo kunoona babe hanty.
Mac haana kuramba zve ko pachedu ka. Ndakasvika paya panamai Musoni ndikakwazisana navo
nechingotarisa babe kuti riripi asi handina kuriona that time.Vakomana ndakaona mumwe
musikana achiuya aiita kunge Revai iwe. Asi machenero akandirambira. Coz uuum uyo
wandakaona ari kure ndiye zve, wekunzi naJah prayzer ngirozi inofamba masikati ndiye
mukadzi wangu ah yaiva ngirozi arikure kudaro ummmm ndakafara kani coz ummmmm kana ari
iye ka aiva akachena. Ummmmmmmm ndiye here Revai......

*END OF CHAPTER ...6

WE LOVE YOU
WATVH OUT FOR PART ....7

*TO GOD THE GLORY.*

*comments and viewns # above.


*Thank you*

[1/12, 17:44] +263 78 589 3888: Game of love


Written by TSHIYIWE (MEME )GONDONGWE
&
B.S . BRAGGNAVE.SIKAZ
�084 617 3754
064 179 1014
Chapter 7

REVAI �
Hembe dzakauya namainini ndakadzifarira chose but kamoyo kekuti dzabva kumukomana uya
wekuzviti hanzi Bread aaa hamheno hake zvaindibhowa. Mainini vakazorondedzera
mapiwiro avakaita bag racho namai Musomi. "Revai mai Musomi vapiwa hembe idzi neuya
mukomana anga akachena uya. Mwanangu ini hangu handisati ndataura naye asi audza mai
Musomi kuti anoda kundiona. Zvandadai ndakura ndaona zvakawanda and unozviziva kuti
ndokuda mwanangu handikurasi. Dai ndaisakuda ndingadai ndakakurega uchienda nezvidhara
zvendebvu upepe but moyo wangu wakarwadza ndikati kana hazviite. Its better uroorwe
nerombe but risina mukadzi. Chandinoda kugadzira upenyu hwako tinyadzise vavengi.
Ramangwana hatizivi kuti rakamira sei rufu rwakauya urwu mwanangu. Ndikamuka ndakafa
unenge wotodzokera kunoroodzwa kuchechi. Ukagara wawana pako pekuzembera zvinhu
zvinoreruka. Chikoro mberi mwanangu handisi kukuti uchimhanyira bhangu yevakuru no but
kungoonesana. Zvausinganzwisisi unobvunza handiti. Matauriro aita mai Musomi I'm sure
mukomana iyeye anokuda hembe idzi ndedzekuti uwane kupfekawo uchionekera unongoonawo
zvaari hazviiti kuti mungasesedzana wakadaro. Iye zvino ukatoona pakakora wotokwevera
mwana wako tinozodemba anonga umwe muno tikabata pasi. Tinoziva dzakakora
dzichinhanzvana dzega but apa panenge paita kupindira kwaMwari. Aiways be positive my
daughter usambozvidzikisira this is the opportunity. Matarisiro aanokuita I'm sure anokuda but
remember career first mwanangu. Usanditya ndiri amai vako i know what is good for you".
Mainini vairevesa here ava nemashoko avo. Zvavariivo vaimboti ukaita mukomana unodofora.
Iye mukomana iyeye anenge ashayei kuzonyenga chanana chakaita seni. Ndakavaudza mainini
kuti zvavave kutaura handizvifariri. Ingotii mukomana uyu anzwa tsitsi chete atumwawo
naMwari kuzobatsira vanotambura aaa. Vakatombovhunza kuti "ko paanga akamira newe atii"
but ndakaramba kutaura. Ndaitozonzi warambirei kumuudza zita rako. Mainini shame kana
ndiyo nhamo yaivadaro kungobvumira zvese zvese. Mainini vaive munhu aishora shora even
Manu uye aidanana naSaru vaigaroti akazhangandira zvinondibhowa but uyu akangoonekwa
nekutofarirwa. Tongoti maybe kusada kunzwa munhuwi wefuel.

Ndakaenda hangu kuchikoro ndikanzwa Saru akutaura kuti mai Musomi vakapiwa mari
nesaturday. Matauriro ake anoratidza amai vake zvakavabata bata kuda vaida kupiwa ivo. Iye
akatonzi namai vake "mai Musomi vakuita zvemaben 10". Aindiudza iyoyo ben 10 yacho
ndaimboziva kuti zvorevei. Zvaitoda ivo pamwe ndozvavaitaura nana Manu kusvika
pakuzoruma. Ndaitokanganiswa kuverenga hangu nevanhu vaingotaura zvisina basa. Munhu
asingagone kugara asingatauri nyaya dzevarume. Musi wefriday takazonzi tiuye Saturday yacho
kuchikoro naSir vecommerce. Vakatogara vataura hanzi "mugeze imi handidi tsvina. Hembe
chero ikavatsaru ,ukangoiwachawo ikachena ukadira iron unotoonekera kwete kuita sana mbuya
mugogoda. Angouya netsvina ndodzinga handina fun. Kana usina hembe dzinoonekera please
nhasi ifriday ukasvikowacha uniform inongooma wotomuka uchiitsikatsika neiron". Ndakaona
vanhu vese vachitarisa kwandiri ,vamwe vakatoseka. Iro shoko raSir ava raive randinanaira
chaiko, uku ndokubatwa maparts chaiko. Makamboona kana shoko rikaparidzwa muchechi
rikareva iwewe, Sunday inotevera unototi urovhe chete. Manje kusaziva kufa dai vaiziva zvaive
kumba muchibag chaive chakaturikwa kumadziro vanhu vaifanira kutozvinyarira.
Saturday ndakamukawo ndokugeza mumbiri wangu. Man'a ndakakwesha haikona zvekutamba.
Ndaitya kudambura shangu dzakabva kudonor. Mainini vakandipa mafuta avo aive akanzi dawn
ndibva ndazora zvangu. Pandakasvika kuchikoro vanhu vakashamisika nezvandaive. Ndakanga
ndakunyara ini nhaimi vanhu munozviitirei izvozvo vamwe vaiti "nhasi Revai wakachenawo".
Saka zvoreva kuti mazuva ese ndaisachena here? Saru ndiye akandibhowa nxaa hanzi "nhasi
wakapfekawo"kana ndimiwo kutaura here ikoko kuita as if ndaimbofamba ndakashama.
Ndakatozodumbirwa nehasha ini. Sir ndovakatozodzimura noise, vamwe vaitondirova hanzi
"matsvana".

Takapedza hedu semazuva ese na1 taive takuenda kumba. Ndakasvika pamagirosa i was afraid
ndaisada kuonana nemukomana uya. Pamagirosa pedu paive padiki zvekuti waingotenderedza
maziso unenge watoona zvese. Ndakafara pandakaona mota iya yerunako isipo. Mota
yaingovepo ndeya manager wekuMine chete. Avo taiziva vachidanana nemumwe musikana aiita
A'level pachikoro pedu plus vaisangojairika jairika. Ndakati ndakusvika pana mainini ndakaona
mukomana aifamba achibva pavaive. Hana yangu ndoyakandiudza kuti chenjera because
yakarova zvekuita sendichadonha pasi. Pandakasvika paive namainini vaingofara fara vachiita
segudo ranhonga pembe. Vakada kutaura chibhende neni kuri kuvhara vana mai Saru but ini
ndaisanzwisisa saka vakangozonyarara. Saru wedzungu aive atomhanya kuna Bread kuya ummm
vamwe vanhu vanoda zvinhu. Ini ndakapinda munzira hangu ndakuenda kumba apa ndainyara
hembe dzandaive ndakakiya. Ndisati ndambosvika paive nekanzira kataienda nako kumba
tichibva pamashops vana Saru naBread vaive vatove mberi kwangu. Manu akabvawo asvika
pandaive ndokutanga kundibvunza kuti "ko aifamba nemusikana wake aive ani". Ndakamupima
ruviri rutatu ndokumutarisa mumaziso ndikati iwe handisi musecurity wako wanzwa kana
musikana wako achikwana muhomwe mangu mumvonyere plus uzive kuti musikana wako
haagari mumhino dzangu zvekuti unongoti kana womuda woti Revai fura. Enda ikoko
unobvunza nyaya yako. Manu akangopererwa ndokupfuurira mberi nerwendo. Akasvika
ndokudana musikana wake, Saru haana kumboita nharo akabva atomira ndokutanga kufamba
naManu. Bread akabva amira pachimumvuri chaive mberi kwangu. Ndichisvika paari akati
"hie uriseiko Revai wangu". Ndakanyara ini ko zita rangu akarinzwepi nhaimi. Ndakaramba
ndakanyarara hangu iye achingoropodza. This time handina kutiza but ndaifamba ndakatarisa
kuside aaa ndainyara ini worse paakati "ende wakachena". Kapfungwa kekuti ndaive ndakapfeka
hembe dzake kakabva kadzoka zvekare. Akazondibvunza kuti tsamba yake ndaive ndaiverenga
here but i simply said No. Akamboedza kuti tarisa kuno hatingambotauri wakatarisa kuside plus
the speed was too much. Wekuudza izvozvo ndiye aive asipo aim yangu yaive yekufambisa
topfuura vana Manu ndototiza. Mukomana uyu aizonyanyawo nguva yese yandaifamba
ndakatarisa kuside aitotora maphoto hake. Foni yacho yaiita semuromo wegejo kukura. Vana
Saru vakazomira pachinzvimbo chavo chemazuva ese ndofunga mhesisi yaida kukamiwa.
Takadarika pavaive ini ndichifambisa uya Bread achingonzunzutira achiteera. Manu akatoseka
hake anenge aiseka isu. Ndakazonzwa akuti "nhai Saru ko muface uyu ashayei zvoongoteverera
nguruve iyi". Ndakangoti nechemumoyo zivai zvekurumana mapenzi evanhu. Manu anenge aive
atondimakira rough yandaive ndamuudza. Ko ndaive ndaresva papi ndakangomuudza chokwadi
kwete kusweroti pamunhondo pamusasa. Bread akazoti "nhai Revai ndoda kudzokera shaa
wakati kudii nenyaya yangu inga ndakati ndokuda wani". Aaaa ndakakanuka ndikati kundida
kundidii nhaiwe Bread. Iwe zvide ugozvidawo kwete kundipinza munyaya yako.
Urikungozvinetsa hako nekunditeverera maybe urikuda kunoita nhongo yembudzi dzedu nekuti
mbudzi dzedu hadzina nhongo. Akaseka hake akati "shaah handinzi Bread ini ndonzi Bradley
plus wakamboona munhu achidanana nembudzi here babie usadaro ". Ndakangoti whatever
ndokunyarara hangu. Ndakazoti kana uchida kundidana ndidanezve ndigokudanawo kkk ko
paakati kudanana ini ndaitofunga kusheedzana veduwee kukura hubva munjodzi. Vana vadiki
dzinenge pwere. Mukomana uya akazoti "shaaa ndakudzokera tora tsamba iyi mhinduro yangu
wopa musikana uyo shamwari yako ndoida nesaturday. Ndakumhanya mhanya ndoda
kudzokera kuHarare mangwana so I'm afraid mudhara anogona kuzofonera my brother hazvizoiti
kuti vavaudze kuti handipo". Ko ini ndaipinda papi hangu asi paakataura zvekudzokera
ndakabhowekana but hamheno kuti why. Voice rake rainakidza plus aitaura zvakasiyana
nezvatinoita isusu. Aiti kudya isu taiti kudla , kurara isu tichiti kuvata aaa kurwara kwedu taiti
kugwara plus ainoza. Akanenekedza ruoko rwaive netsamba ini kana kumbocheuka.
Ndakangozonzwa yapfekerwa muhembe. Ndakaridza tsamwa yekubhowekana asi handina
kumboibvisa kuti ndiirase. Iyewo akatoramba akamira achida kuona kuti handikandi pasi here.
Iniwo ndakazoita hwaSvosvai kkk aiudza sabhuku kuti dzokerai kumba kwenyu asi rice ravo
akapakatira, ini ndairamba kutaura nemukomana uyu asi hembe dzake ndakakiya.

Bradley akadzokera ndisina kana kumboona chiso chake. Hembe dzaaive akapfeka
ndakangodziona paaive achifamba naSaru ave pedyo handina kumbodziongorora ini. Handiti
ndaive ndakangotarisa kuside nekunyara. Ndichisvika kumba ndakangomhanyira kuvhura
tsamba iya kunodai mukati mayo maive nemari $200. Aaaa ndakashamisika ini pakarepo
mainini vakabva vapinda mumba mandaive. Ko vaive vakasira nhasi kudzoka why apa vaive
vakavafuka negrocery. Mari iya vaive vatoiona naivowo vakashamisika. Vakazondibvunza kuti
yaive yabvepi mari yose iyoyi. Ndakavaudza kuti yange iri mutsamba yandapiwa nemukomana
uya wandaona achibva pavari. Pamari apa vakaita kakusafara nazvo vakatoti "mari yakawandisa
iyi chero ini andipa $100 yandatengesa zvinhu zvandauya nazvo izvo". Ndakavaudza kuti
ndonomupa mari yake handiidi. Vakatomboti ndipe kuno ndikati no hazviite anozozviziva sei
kuti handina kuishandisa. Kana muchiida mongomukumbira pandinomupa takaudzwa kuti
mukomana akakupa mari anozoda favour but ndaisaziva kuti favour yei. Taive tangozviudzwa
pataive kuscripture union. Ndakazoverenga tsamba iya aaa hamheno zvandakangonzwa kuita
like ndakupera mweya. Mashoko aivemo aingonyerekedza so maybe ndolove yacho.

End of chapter 7
�����love you all .
Watch out for Chapter 8.
[1/12, 17:45] +263 78 589 3888: *GAME OF LOVE*❤�

WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.... 8

#BRADLEY
Ummmmm yes ndiRevai wena ndakangoti nechemumoyo mai vevana vangu zvinhu zviya
zvakutangidza manje now now you will looks like an angel.and see your step mama you walk
like you dont want to...yoooo ndakakwenya musoro ndakabata gold chain yaiva muhuro. ndikati
maya rega ndiende paposition yangu manje vachingouya Mrs wilson ndotopedza navo.yes she
deserve to ne my wife..... Ah hiii ndiwe hako how are you "am sarudzai"...oh i know you dear
you are my girl's friend, i mean you are a friend to *Revai* hanty. Ooh am sorry did i ..... Offend
you or something... Yes ndakabvunza kudaro coz happiness that sarue was before when she greet
me it was so different that time, so i was supposed to ask kuti why is it nekuti she just changed
suddenly... Ahh no am ok its fine but its only that I...I think that uuuh ok never mind. So how is
your place your mom and Dady I mean your whole family..... Ndakapindura hangu that time but
I was upset and I got suspicious mind pana Sarue. But still ndanga ndisina kana mweya Naye
even though iye aifunga kuti ari smart than my angel *Revai* ndakatozotanga kufamba
zvishoma ndichida kuti Revai asvike achisvika ndakakwazisana hangu naye ukuwo Sarue anga
atomiswa nemumwe mukomana i think ndiye aiva mukomana wake iyeye. Ummmmm
Revai,panga pakaoma kani... Ndakabva ndatanga necomment ka ndikati babe u looks so nice
wakachena wena.sha anga akatotarisa uko hake kuside.. ahhh asi chaisaziva Revai apa to be
frank enough,kuti munhu waari kudai arikutotsvaka kupora coz ndaiva nechirwere
chemoyo.kkkk moyo werudo so rudo rwake ndirwo rwaidiwa chete kuti ndipore apa. So that was
very hard for me kuti ndiite give up on her because ndikaita give up manje ndinofa ka
nechirwere changu,,,so ndakaramba ndinaye ndiri padivi ko speed yaifambwa naRevai ahh iya
yakanzi nemumwe muimbi speed ye3020 kkkkk. Ndakazobvunza pamusoro petsamba yangu
akati akanga asina kuiverenga. Ndakamboti uyu mwana uyu imhepo here asi mukadzi
wechikwambo here. Ndakashaya answer ndakazongoti whatever kana ari wechikwambo
ndicharovana nacho chikwambo ichocho kusvika ndatora mukadzi wangu. Ndakabva ndati apa
shiri inoda kurohwa ichangomhara yakarivara... Ndini shoko pana Revai tsvee.. Hey ndakaita
kunge ndakanda dembo padombo chaipo instead yekuti ndikande pamuti.. Ndakangonzi iro
rekufuka nekuwarira. Zvikanzi haugoni kuzvida here danana wega. iiiii ndakanyara by that time.
Asi paitoda kuti ini wacho ndisunge dzisimbe nekuti pasina izvozvo ndaitosiya tsvarakadenga iyi
ah never.. Takati fambe ini phone yangu budise ndini camera tsvee ndakuchirova mapics ko
kumba hanty mapics aidiwa here.. Ndakabva ndati rega ndidzoke hangu. Asi ndisati ndadzoka
ndakamutambidza imwe tsamba akairamba ndikati zvangu zvandajaira asi ndakati this time
hauna bag ndakabva ndaikanda muhembe make. Ndikatarisa ndichida kuona kuti achaita sei
acharasa here ah ndakaona shasha haina kurasa. Ndakabva ndadzoka asi mukomana aiva
neshamwari yaRevai ndakadzoka ndichimuudza kuti zvawataura ndazvinzwa but may you please
help... Akafara kuti ah maybe ndine zvandoda kubatsirwa naye. Akati. What is it my bro...
Ndikati help me to mind your own business and take good care of your damn fucking thing.
Whatever you call her your girl your what i dont care. Leave me and my dirt Revai asbyou said i
heard every thing u said about her. i love her the way she is, to add om that. Whatever you say
about my fiance will be bihind my imagination ok. I love Revai maybe more than anyone else.
Or else you will see that who i am, good day. Ndakadarika hangu. Ehe pana Revai ndaisada
kunzwa munhu anotaura zvisinabasa.. So i was ready for anything...
Ndakadzokera kumusika ndikaona mai Musoni ndikavakumbira kuti vaende neni pana mainini
varevai vakandiperedza tichisvika paya handina kumira kuzviita myself introduction vakati aiwa
ndafara kukuziva mwanagu feel free kusvika kana kumba chaiko chatisingadi matsotsi chete.
Ndakatenda ndikabudisa mari $100 ndikavapa. Vakatadza kana kugara wena ndikati yoo its fine
mom i love you so much.. Ahh hameno ikoko ndanga ndajaira ini kuti chero ani ndongoti i love
you zvaiva easy kwandiri izvozvo. But love yandaiva nayo naRevai manje was so different ..
Nakabva ndaoneka ndichibva ipapo. Ndakapinda mumota yangu ndakananga kunodzosera
kwamukoma mac coz the mission was completed. Mota yanga yapedza basa for that day.

Ndakangonosiya mota ndikadzokera kumba Harare coz team rese rekumba was not there
ndakasvika kumba ndokugara pasofa hangu. Ndakatanga kufara mhani ndichisekerera hangu
ndakatarisa mapics andakanga ndatora babe hangu ndaingonyemwerera hangu zve nekuti mwana
anga akavakwa hake kuita building 10 floors kkkkk. Ndaingoiya ma imagnation kani imi
ndakaona zvakawanda pamwana uyu. Ndaiona ndinay mumba imomo ummm zvese izvi
zvakandipa kutogunga kuti ndofanira kumutengera phone coz izvozvi ndingadai ndakufona so....
Kkkkk ah ndangariro dzinorwadza kukunda fungidziro sure. Ummmm Revai wakanaka mukadzi
wangu..to be with you is my desire. Handina chimwe chandinofunga kunyanya kana iwe
wakangouya muupenyu.straight into my life i will be a father mwana wedu tomuti ani babe hee.
Braddley junior hee or umm kkkk ehe iroro ndiroro.. ok kana ari musikana tomuti Emmaculate
hanty ..... Hiii mai bradie junior or mai Emma ahhh. Wakanaka mukadzi wangu. I want you to be
an angel than anyone else on this earth kkkk,aaaaah ndiani futi kufona.. Heloo who is this
ummmm hey dont disturb me who are you, and what do you want... Ndakadhiniwa
ndichifonerwa nebabe rekuchikoro ahhh nedenga rechitatu randanga ndava now nxaa
ndakabatikana mhani.......
Piiiiii piiiii piiii...... Ah kusvika kwaita anamom ka uku. Ndakabuda panze ndikanovhura gate
ndichifara hangu.,,,,, bro bradie masaririra nhasi hiii we hard a good time in kariba hey
tanakidzwa kani...... That was my sisi Marcia... Ok sisi so now you are back am
happy....*mom*,,,hesi bee how was been your day my baby....
*me*,,,,was ok mom and yours in k.b....uku my sisi Beny was by my side.
*mom*,,,,,was so amazing, fantastic my baby, we had a lot of funny today...ahh tafara hako son.
Kwanga kurisei kuShamva and arisei mukomana wangu mukuru Macdonald.
*Me*,,, Bro Mac is fine mom.. Vanga vachikukwazisai.
*Dady*,,,,,Son whats up. How wa your day man... eish i miss you a lot and you, yourself you
miss some funny eish you will see some pics. Ari mucamera yaBeny ummm tafara wena..
.ndakabva ndatoseka kuti ko angu mapics vamaona here vanhu ava ahhh hoo will see.
Ndikuvabudisira ngirozi yangu nhasi vachabvuma havo.

Takapinda mumba hedu that time....ahhh nyaya dzikarohwa tikataura big time takazoti
ndakuratidzwa mapics avaiita kukariba dam umm kariba yakanaka vakomana ko idzo mhuka ah
vakaita nguva yakanaka zvavo... Time time ndakaona kuti ah vanhu havasi kutombobvunza kuti
babe riri sei ndakangogadzika phone yangu patable ndikasimuka apo babe anga atova pa
wallpaper kare kkkkk ndaitopenga hangu nemwana uyu handirambi. Apa pakuzosiya phone
manje ndaiziva kuti Marcia anototora foni chete... Ndakangonoita 5mins ndiri padoor retoilet
ndakanzwa vanhu vachiseka, ndikati yesss vamuona...Revai ngirozi ka.. Ndichidzoka
ndichinyangira ndakasvika phoni ina dady.uku mom vanga vachitoitisana nharo nadady vachiti
akanaka musikana wabee dady vachiti no she is not my son's type.... Ndakabva ndabatikana
nemashoko adady. Zvisinei ndakangoti chero mese mukaramba i will stand by myself i dont
need anyone if it is about opposing my feelings pana Revai.... Ndakabva ndapinda ndikanogara
pasofa now my face was like a pitbull dog's face... Ndakati anongonditanga about Revai ma1.
*Dady*.....ummmm bradie change your choice..
*Me*,,,dady why,why please respect my choice.
*Dady*,,,,this is not good for you.baby listen ndini baba vako.
*Me*,,.yes dady you are my father, but my choice is not my father's choice at the same time my
choice is not a mistake. Pliz.
*Dady*,,,,,ok its fine do what you want...ndakati thanks dady. Asi ndakazviona kuti ma1 atanga.
Asi ndakangoti whatever... That time ndakasimuka ndikanovata. Ndatodhiniwa hangu. Sunday
we supposed to go to church sefamily asi ndakaramba hangu. Ndakaswera ndakarara pabed
pangu ndichito editor mapics ebabe mulaptop yangu. ndichipedza ndakananga paphoto shop
ndikanoitisa mapics acho. Ndakamaita maphotos chaiwo ndikatoti pandinoenda Shamva ndoenda
unawo chete...

Monday ndakaenda kuchikoro.. Uko kuchikoro ndaitongogara kwete kudzidza ndaingoti


ndichadzidza kana Revai wangondida chete..week rakafamba. Samazuva ese ndakaenda
kuShamva naBrain wangu this time dady vanga vaenda kubasa ne*TOYOYA FJ* ini ndakatora
*HAMMER H3*. Takasvika kushamva kwamukoma Mac ko zvaisaita kuti tidarike tisina
kusvika kumwana wamai vangu ahhh zvaisaita izvozvo coz naMac taidanana. Takazobva
kwaMac tichienda kuWadzanai ndichisvika ndakati brain mira apo pana ambuya avo ndivo mai
vebabe ndopatinomirira babe nhasi. Braina akati iii boss asi makuzivikanwa. Ndaika am a man
of his words like my dady .Tichingomira brain akaita yake yekundivhurira door ndakanyara asi
panga pasina chekuita.
*Mom vaRevai*,,,titambire mwanangu wauya..
*Me*,,,ndauya mom kurisei kuno. Ndakadairwa Zvakanaka wena ndikati ah ndazopinda now.
Ndichangoti garei pacrate yemadrinks ndakaona yoo babe riri kuuya wena.. Ndakabva
ndatotanga kubaya baya phone yangu babe achisvika ndakasimuka wena ndikati ndomboita
yemu movie ndakamira ndakango bvisa cow boy hat yandakanga ndakaapfeka ndikaiisa pachest
ndichikotamira ndichiti welcome my lady.... Mai vake vakapererwa madzimai epamusika
vakavhundika... Ko iye Revai akabva ....... Ahhhh

END OF CHAPTER.......8

*your comments and your views here is accepted*

GOD BLESS YOU

*BRAGG AND MEME LOVES YOU ALL MWAAAAAAAAA*

[1/12, 17:45] +263 78 589 3888: Game of love�


WRITTEN BY:
TSHIYIWE(Meme)GONDONGWE
&
B.S BRAGGNAVE.SIKAZ.
�084 617 3754
064 179 1014

Chapter 9
REVAI�
Pandaive ndichakabata $200 iya ndakagaya kuti mukomana uya aiti anoda kuti tisheedzane akati
aizodzekera kwaaive abva mangwana acho Sunday. Ndakatozviudza kuti ndaizomukira
kumashops kunomudzosera mari yake. Pamari ndakatsidza kuti handaimbofa ndakaishandisa
sezvandakaita pakupfeka hembe dzake. Hembe kana aizouya achidzida ndaimupa chero dzave
tsaru. Ndakatozoita nguva refu ndakagara mumba ndichigaya kuti let's say ndabvuma
kunyengwa kwacho ndaizopindura ndichiti kudii kkkk. Ndoti aa bva ndada hangu , aaa hazviiti
apa ndenge ndichidei. Ndongogutsurira musoro chete here, ko ndikanyora tsamba ndotii,
ndongotiwo i love you sezvaakanyora here? Ndakazvitongesa kusvika mainini vatozondidana
kuti tidye sadza. Ndakazoti dhuu mainini vakati ndivabvunze pandisinganzwisise saka ndiwo
mukana iwoyo. Ndakati nhai mama kana mukomana achiti huya tidanane zvorevei, ndomudana
zita rake here iye ondidanawo. Pane kuti vaseke mainini vakatosiririswa. Vakazoti "Revai
hazvirevi kusheedzana mazita mwanangu. Mukomana anenge achiti ngatipinde murudo uve
musikana wake sezvinoita Saru naManu". OK saka unopindura kuti kudii nhai mama?. "Kana
uchimuda unoti ee ndokudawo asi kana usingadi unongoramba kuti hazviite" vakadaro mainini
vachirapfanyura nyama ko vaive vatenga beef yakawandazve. Mama kana muchiti kudanana
kwacho ndekuya kunoita Saru naManu aaa saka hakuite. Ndigoonererwa mazamu angu nemunhu
kubviswa blouse nekurumwa ini handidi. "Mwanangu kubatwa kuya kuda mukomana
unomuudza zvaunoda iwewe ndiwe unomupa mutemo. Ukaona anofarira kukubata chero ruoko
imburu nokuti mviro mviro dzemhanza mapfeka. Muviri wako hautenderwi kubatwa kana
kuonekwa nemunhu asiri murume wako". Mainini vakataura zvakawanda zvekuti ndakaona
kuti hapana chandaiziva chokwadi. Mainini was correct iye Manu aibata Saru kudaro mwana
wechikoro why asingarespect izvozvo. Ndakazorara ndaudza mainini kuti ndaida kuzomukira
kwana Saru kunotora book rangu. Ndaitonyepa ndaida kunotsvaka mukomana uya Bradley
ndimupe mari yake.

Ndakamuka kuma5 ndokutora cup ndikachera mvura ndokugezera kumeso imomo ndichiita
zvekudira mvura muruoko. Ndaitonhuwa weti zvangu ndaive ndawetera mumagumbeze
ndichitya kubuda panze. Pandakaona ndaweta ndakakava cup yaive nemvura yamainini yavaive
vatakura vachida kuzoimwa mahusiku. Mvura yacho yakaerera ichiuya kumagumbezi
ndikatoziva kuti zvangu zvafamba. Ndakaoneka mainini avo vakangoti (Reve ndichasiya makey
muberere remba. Utore surf yandakauya nayo uwache uniform yako ndoda kuzokuayinira skirt
yako yekuchikoro ndidzosere mapleats.
Ndakangoti ok ndokutomhanya ndakananga kumashops mari ndakasungirira muchiplastic.
Ndakangonanga pastation paikwirirwa malifts ndokugara ipapo. Nguva dzakazosvika kuma7
ndakangoti goo kana kuona munhu. Ndakazonzwa mai Musomi vondisheedza hamheno kuti
vaidei uye handina kumboona kusvika kwavo pamashops. Ndichingosvika pavari ndisina
kuvamhoresa vakabata mhino dzavo ndokuti "Revai urikunhuwa wetika iwe. Ummm Revai
uchatinyadzisa iwe kumukomana uya musalad. Dai akakuona nezuro uchinhuhwa so airutsa.
Anyway ndakudanira kuti ndikuudze kuti mukomana uya akakanganwa watch yake iyi nezuro.
Iye Haana kuzviona so uyichengete wozomupa kana adzoka i think next weekend".
Ndakangokaruka ndati aaaa ko akatoenda aive ati anoenda nhasi wani. Mai Musomi vakatoti
chance " aaa nhaiwe Revai usandiudza kuti wauya kuzoona mukomana wako netsvina iyoyi.
Thank God akaenda hake tainyarirepi. Ugeze iwe mvura hairumi". Ndakabhowekana ini
ndakangozobva pana mai Musomi chero watch iya handina kuitora.
Monday takaenda kuchikoro apa ndaive nani patsvina because mainini vakazondiwachira
uniform yangu zvekuti pandakawana yakaturikwa pazvikwenzi ndakafara at least, kubata mvura
kwaindibhowa. Kuchikoro vanhu vakatoshamisika with such a sudden change. Saru ndiye
aingoshambadza zvaaisaziva. Aitoti "ane gentleman yekutown irikunzwa kumurwarira nerudo".
Ini ndakangonyarara hangu achinyan'anya mwanasikana. Nhema dzaaitaura kuvanhu
dzakatounza umwe mweya mandiri kuti ndakuzomuda manje mukomana iyeye kuitira
kumukaurisa. Apa aingovhaira neka$5 kaaiva nako achiti akapiwa naBradley her boyfriend to be.
Ndakarangarira $200 iya ndikati hoo mukomana uyu anoshandisa mari kunyenga nhai manje ini
chero ndikamudawo ndichamuratidza kuti rudo haisi mari. Vhiki yakapera Saru
achingondiavoider. The more yaaindiavoider the more yandaitorongedza mashoko ekuudza
Bradley hangu.

Ndakazoshamisika musi weSaturday tavekubva kuchikoro Saru akuti "Retso toenda teseka nhasi
kumba". Ndakangomuudza kuti i will go alone as usual. Iye akangoti unonyepa toenda tese chete.
Ipapo ini ndaive ndauya ndakachena futi ndakapfeka kadress kered kaiteedza muviri kaive kabva
kwaBradley. Mutsoka ndomaindimakisa because ndaive ndakapfeka matoughees aisatomboziva
polish kana. Kumberi uku dzaive dzakasvuuka kuita white. Boots dzaive dzabva kwaBradley
ndakadzisiya nokuti imwe yacho ndaive ndaishaya hamheno kuti yaive yakatsikirirwa pai.
Muviri ndaive ndageza asi ndakangomhanyisa towel dombo ndaisarida rairwadza.

Tichisvika pamashops Saru akamhanyira kuti " hie Bradley ". Akambodavirwa nani hake
Bradley akatouya pandiri ndokuti " hie my lady". Ndakanyara ini plus ndakaona seaive aita
dzungu. Manje ini ndozvandaivenga zvekuratidzwa bag rebvepfepfe. Ndakamhanya ndichienda
kuseri kwamainini. Mainini vakadoedza kuti "Revai hazvinzwaro tauriranai" asi iii ndaisatoda.
Bradley akazobva ndokunopinda mune imwe mota iiii iyi yaive yakanaka jealous down. Mota
yakasumudzwa zvemufirimu vanhu vese vakaridza muridzo. Mainini vakasara vakandishora
zvisingaite. Ndakazoti ndakuenda kumba mainini vakangoti hoo.

Ndakabva pamagirosa ndega Saru aive atoenda kuda aive asvotwa nekunyararirwa kwaakaitwa
naBradley. Ndakambobatikana kuti ndakanga ndakanganwa kupa Bradley mari yake asi
ndakangozoti mazuva mazhinji. Pandakasvika pamwe paive necorner ndakaona Bradley akamira
mberi kwangu and aive atondiona zvaisaita kudzokera sure. Hana yangu yakarova asi at the same
time ndakafara kuti ndomupa mari yake. Akavhura maoko ake ndokuti "awuya wuya'.
Ndakanyenyeredza paaive iye ndokutevera ndokusvikondivharira. Ndakamboda kuenda neseri
kwemuti akatevera futi. Ndakavhovhonyora mari muchisatchel changu ndokumuti ooo. Iye
akamhanyira kugamuchira achifunga kuti itsamba yakasungirirwa muchipepa. Paakaona kuti
yaive mari akati " no Revai it's yours usazvinetsa hako". Akada kunditambidza ndikanzvengesa
ruoko ikadonhera pasi. Akatomboti ndoisiya pasi ndikati i don't care. Akatora mari yake
ndokuisa muhomwe ndokutanga kutaura ma i love you ake. Ndakaramba ndakangonyarara
ndakatarisa kuside. Akatombouya kuside kwandaive ndakatarisa ini ndokuchinja futi. Akaona
kuti tingasvike kure and apa airatidza kuti ariserious arikutodawo mhinduro yake. Akandibata
ruoko kuti ndimire asi this time ndakamuitira minana. Ndakaita kuti MAIHWEE
ndichideedzera akabva andiregedza asi haana kudzokera. Apa mashoko aaitaura
aisamboenderana nemhinduro yandakaudzwa namainini. Hanzi babie ndokukara ,hee shaar
ndokunzwira ginger kana ndimiwo zvaizoita here ipapa kuti nditi ndokudawo. Ndakangozoti
ndichanyora tsamba. Akafara Bradley kuita seadiwa. Akazondiisira envelope yekhaki mubag
mangu. Ndakamuudza kuti kana iri mari no but akangoti haisi enda unoona kumba. Mari iya
akada kundidzosera ndikatiza.

Ndichichisvika kumba ndakaona muenvelope mune mapictures iii aive akanaka but face
yaisanyatsooneka. For the first time pamafoto ndopandakaonera kuti ndine structure.
Ndakazoona amwe 2 aive aBradley ummm ndakaerekana ndamaisa pachipfuva changu. Rimwe
aive muschool uniform akafitwa kani apa uniform yakachena. This was a challenge
ndakazviudza kuti I have to change handingakundwe kuwacha uniform nemukomana. Rechi2
aive akagara pane rimwe zinhuso rakaita arch. Ndakamboti isofa aa but ataiona kudzimba
dzematicha aive asina kudero. Apa aive akachena neblue jean, white sneakers, cap yaive
yakapfekwa saFreeman nekamuscle top keblack. Regai Saru ainzwa moyo handiti aive
anyatsomuona here ini ndairuzirira nekutarisa kwangu kuside.

Ndakazofunga kugara ndanyora tsamba yaBradley.

End of chapter 9
❤❤❤we love you all
Like our Facebook page Meme books

WhatsApp links������
Meme books https://chat.whatsapp.com/C4GMb4xPebS5SaAShUADdC

Welcome to Meme books GRP 2 https://chat.whatsapp.com/H2Nhk27GAjO0WjKe0qhZka


[1/12, 17:45] +263 78 589 3888: https://chat.whatsapp.com/ItSIbIE393R8YEBWBxxScw

*Game of love*�
WRITTEN BY:
TSHIYIWE(Meme)GONDONGWE
&
B.S BRAGGNAVE.SIKAZ.
�084 617 3754
064 179 1014

Chapter.....10
#Braddie

Game rangu naRevai yaingova zamu ramai vako zamu ramai vako matambiro ekumombe aye.
Pese pandaiti ahhh nhasi ndajuma aiuya neimwe way yekunditemesa musoro. Asi
zvakatondisimbisa ndikati, nechemumoyo mahit and run ndana Sarue ava uyu ipoto isati
yambobikirwa. Dzungu rake ndere babe ari virgin. Saka zvinotoda umonya kuti ukohwe. Yes
ndokohwa chete. Whatever this case might be I will be the owner of this mudziyo. Ehezve
ndakange ndakutoona muchato zvese white wedding ka une mawhite horses. Kwete
unoperekedzwa nemota. Apa ndaiti kufunga futi zvaigara zvichitaura dady kuti ukachata une
2weeks uri kuAmerica @ *Michell jackson's view* kana 1 month that i have been promised with
my aunt Tau, kuUk. So ndanga ndine matargets ekutoita wedding thats why ndaiva kumberi
pakufunga coz ndaida kuenda kuhoney moon kumhirika.
Ndakaona babe wangu zvee and this time zvinenge zvaiva nani, coz takambotaura
ndichimuperekedza asi speed yacho ahh ndaitoitira kakunzunzutira wena. Madhiri ekudhiba
aivapo asi ndakazviona kuti apadhuze kudaira. Ndakazomutambidza envelope yandaiva ndakaisa
mapics aye zvangu akamboda kuramba wena achiti imari coz mari yangu $200 anga andidzose
asi panga pasina kuwirirana kwakanyatsoti tsvikiti aingova ma on off. Ndakadzoka wena
kwakusangana nemumwe musikana wena kwakundimhorosa ndikati ah maya handidairi zvisina
basa ini ndikananga mumota ndikati Brain handei. Takasimudza mota kwakusvika pamusika
paiva namom vaRevai ndikavaoneka mai Musomi vanga vatomira pamota namai Sarue ndikati
Brain vapewo ma$20 mari. Brain akavatambidza mari ini ndikazobudisa $200 iya
yandakadzosera naRevai ndikapa mhamha ehe ndimhamha vanguwo zvee hanty ndimai
vemukadzi wangu here. Kkkk ah ehezve. Zvisinei mukomana akasimudza mota takananga
kumba kwaMac hedu. Tichisvika kumba kwamukoma Mac ndakatosvika musikana wavo aripo
wena."ahh my young bro how are you my boy." Takapinda mumba wena ini changu ndakananga
kubar straight ndikanodira beer rangu ndikadzoka ndikagara Pasi.

*Mac*,,, brother meet,Angela Davison. she is my girl ndivo maiguru vako ava vandaikuratidza
paphone that day.....hiii ndakapera mate mukanwa nemanakiro anga akaita Angela iiii
tsvarazidenga not tsvakadenga, kadenga kadiki but zidenga kuratidza udzamu hey kuita
hurungudo. Iwe ndakambo freezer ndakateya ziso......"Angie meet my lovely brother Bradley
Wilson". Akadaro Mac
*Angie*,,,,nice to meet you my brother inlaw.
*Me*,,,, nice to meet you too gulez, you look so good. Angie akanyemwerera tichimbundirana
hedu.
*Me*,,,, Angie meet our family driver, Brain. Brain meet Angie.
After ma introduction takatanga kutaura hedu dzimwe nyaya. Ndipo pandakazoti bro you are
very bad these days I see.
*Mac*,,,,,why younger what is it umm tell me what do you want me to do for you younger. You
know that I love you even more than Angie kkkkkkk ah jokes but tell me..... Takaseka hedu
tichirovana maoko hedu.
*Me*,,,,ok bro you know that I have a girl friend paWadzanai apa but kana kumbobvunza
nezvake why. Plus kana kumboti tione pic rake amana. Ah musadaro amana.
*Bro mac*,,,,ahhhh younger am sorry hey waisataura ka iwewe. amana ndaingoona uri parun
always. Ndipe number yake tione ndizotaura Naye. Hey APA ndakabva ndapererwa wena.
*Me*,,,brother she don't have a phone wena.
*Bro*,,,,ok its fine I wish will go together one day. Ndakasekerera hangu ndikati are regai tiende
hedu. Takasimuka naBrain from Shamva kuma 7manheru. But I was just worried kuti zvichaita
here. Kutozonyatsofaya chaiko naRevai Ummmm hameno. Ndichifunga izvozvo ndakabva
ndatora phone yangu pa dashboard ndikaenda kumapics ndikatanga kuona Revi wangu hangu.
Yea why not she was everything to me zvee. Tichisvika pamba my Dady was not there but Mom
nemasisters were there. Takafarirana namom vakanditi Bee musikana wako ini ndomuda why
coz dai ini ndisina kudiwa nadady vako ndingadai ndiripi...."iiiii mom haaite that girl she is very
poor hey Marcia answered. Then mom"shut up you little pig ndinokurova ukuda kuita twuma
discrimination twusina basa iwe dai usina kuona ini nadady vako tashanda mari iyoyi ungadai uri
chii. Watch your mouth lady, Bradie is your brother so u don't have to be against him. Do you
hear me!!!?.,,,, "yea mom am so sorry"she replied. But her face was saying something."Bradie
me I don't have anything to say about your future Broo. I respect whatever you want in your life
that is the best ok.....thank you sisi love you hey... Ndakabva ndatoona kuti ini namom Benhildah
and my brother Mac tiri one side. But Marcia and Dady they were one side also. Ndakazotanga
kutaura namom ndichivaudza maplans angu.

Sunday morning takaenda kuchurch hedu tese semhuri coz Dady was back from work asi time
dzavakauya ndanga ndavata hangu. Takaita service tikapedza kuma1 as usual. Then
ndakazodanwa nadady vakamira napastor Chikonyora ndikaenda paya.. how are you pastor.
Ndakavamhorosa hangu. Ndikati Dady ndauya. "Are you in a hurry son".,,,,,,no Dady ndoda
kuzopinda mutown hangu ndikuda kuenda kuEconet.. "What do you want Ku Econet.",,,,,, I
wanna see the management.,,,"for what son, do you want to get connected pa contract line or
what",, yes Dady something like that."you buy another line or phone son",,,, no Dady handina
hangu ndikuda kunotenga phone ndoiisisa PA contract.... "OK I see I can call Masiwa now vaite
delivery yephone pamba".. Ok Dady it's fine.. "So nyaya yandakudanira ndeiyi Tania
Chikonyora unomuziva",,,,yes Dady ndakapindura.."ok son ndakanzwa uchitaura nezvemusikana
ok", Ndakabva ndatoshatisa face...."so I your father I know what is good for you, you can date
Tania mwana wapastor",,,.ahhh Dady what you are saying. Honai Tania she is form 5 ini form 4
munhu mukuru kwandiri Dady. Ahhh hell noo I can't... Ndakabva ndatotanga kufamba
ndichibvapo. Instead yekuenda kumota ndakatanga kutofamba netsoka. Ndakacheuka ndikaona
pastor nadady vakanditarisana ndikati nechemumoyo Dady imi nyengai Tania ini ndichanyenga
wangu Revai.

*MOM*... "Bradie ukuendepi Bradley my son come back". APA Mhamha vaitomhanya
vachinditevera. Vakandibata ndakutochema zveshuwa ndakabatikana.
*Me*mom why why why!!!? Dady hates my feelings Why.ndakachema.
*Dady*,,,iwe mai Mac!! Leave that dog let's go home. Ndakatanga kuchema shungu dzangu
dzikachitutuma ndikati uyu mukuru uyu why achidaro so , ndakabva ndati mom you can go.
Mom vaida kuramba kuenda asi ndakavati endai Mhamha vakachema mai vangu vachipinda
mumota panga pasina way out kuti varege kuenda coz Mudhara aityisa asi ini nanga ndazvipira
kuti what ever chinouya chinoona ini. Dady vakasimudza mota vakaenda. Ndakafonera Brain
kuti auye nemota akati ndanzi namudhara hapana mota yangu inobatwa. Ndakapererwa hangu
ndikati ndodii. Ndakananga kumacombi ndikapinda mutown ndikasvika kuEconet vakati
management yatopedza basa ndikati ndodii. Ndakauya paZimex vakomana vaindizivazve.
Vakauya nemaphone chaiwo. Ndikati Maya guys ndikuda *Apple iPad* ah nguva diki ndanga
ndatova nayo mumaoko. Ndikati Maya zvangu zvaita Matsamba naRevai zvakwana. Ndakabva
ndatotenga line rangu kuvakomana veparoad ndikati zvee contract line ndozozviitisa.

Ndakaita fast kudzokera kumba hangu. Ndichisvika kumba ndakasvika Mhamha vakagara
pamagarden chairs ndichingopinda mom she ran to welcome her son.
*Mom*,,,don't mind your Dady my son, just pretend to love Tania kuti uwane zvakakwana from
your Dady then kana wapedza chikoro woita sezvakangoita mukoma wako Mac akuzvishandira
ok.
*Me*,,,noooo mom I can't cheat Revai mom I can't.ndakaona mai vanditarisa mumaziso
vachichema." vakati Dady vako vaneutsinye son pliz just love Tania zvefake for my sake ok".
*Me*,,,, ok mom I will. Mom she smiled that time. Vakabva vati "that's my boy. Uende
ukumbire Dady ruregerero hanty". And I just noded my head. Takapinda mudining namom,
Dady was not there vanga vari mu bedroom. Vachiuya Dady ndakakumbira ruregerero coz
ndanga ndaudzwa na mom. Then Dady accepted my apologize. Takazosara totandara takutoseka
ini ndichingoti ndewangu Revai ,not that girl heee Tania hee mwana wapastor whatever kuti
mwana wani I don't care.

Ndakazoenda kunorara hangu coz tomorrow was monday so supposed to go to school.


Ndichipinda mumba ndakaona musina order ndikavhura madraws ndikashaya maphotos angu
naRevai andainge ndaka editor.ahhh Zvakaoma Dady vangu why me. ndakangoti hazvina basa.
Ndakaenda kuchikoro morning ndanga ndakaita kunonzi kuneta kuya. Nekuchema kwandakaita
usiku hwese for my pics.
Kuchikoro ndanga ndisisatauri nemunhu ndakungoita nezvechikoro nezvarevai chete. Week
rakapera ndakuwirirana nadady ndanga ndakuda ka mota. APA Tania ndanga ndisati ndaonana
naye. Weekend as usual ndakatorana naBrain ndikatora *Range Rover*,,,, sezvo *F J* Yanga
yaenda namom, Dady vanga vaenda ne*jeep* ini hangu ndikati ndotora iyi *Range Rover*.
Takadzika Shamva naBrain semazuva ese takaenda kwaMacdonald my brother. Takagara
ndakamirira hangu kuti nguva dziya dzikwane dzekuona babe ka. Chero vamwe vaisvora asi
kwandiri aitova last number.
*Bro*,, so today tonomuona tese hanty. Ummm ndakafunga dzungu raiva nababe ndikati ah
maya bro tozoenda next time. Mac haavana kupikisa akabva andipa $50 zvikanzi unopa Mainini
ndikati Ummmm mari haatambiri asi Mac akandimanikidza ndikatimbira mari iya....Mac akati
uvape vatsvake chimbudzi chephone. Kkkkkkkkk ayas kikikikikiki my brother why kkkk. Do
you think musikana wangu akasara here kkkkk you are not serious phone ye 50 bucks. Kkkkk ah
maya.... Ndakabva ndati Brain huya nebox riri mumota box richiuya bro vakavhunduka vakati
"iwe unotenga phone inodarika yako for babe iiiii wakanyanya younger wada munhu sure. Ko
zvaanoramba mari phone anonoibvuma here",,,ndakangoti tinoona tavako.

Ndakabva ndatobuda hangu ndakananga kubabe kuma1..... Ah Brain haasi babe here ari
pamusika apo... "Ah ndiye wena boss ndivo madam",. Kkkkk ah Brain don't say that,kkkkk
vatova madam here..... "Yes boss ndimadam vangu mukadzi waboss vangu ka". ,,, Brain
akandipa manyemwe apo ndanga ndakarova smart inobhowa Brain ari mu suite ye grey
nemaglass nezizuda. Ah panga pakaipa. Zvisinei ndakati misa mota pamusika pamai Musomi
apo.....
"Ah Mukoma Bradley ndimi henyu ko tanga taraswa nemota ka..... Ah ndini hangu.....Ah Sarue
aibhowa anga akutouya kuzondimhorosa ndikati ah mother ko mai vaRevai vaendepi... "Vaenda
kunoona mukoma wavo kumusha. Mukoma wavo mai vaRevai... Hooo ndakabvuma ndikati saka
ndogona kuona babe ipapa here nhasi. Ndakabva ndati mother handei tese pababe. Mai musomi
vakaenda neni paya ndikagara pacrate remadrinks hangu. Mai musomi vakomana kkkkk
vakangoti kubabe, Revai udzikame pamashops pano usandinyadzisa ndakagara apo ukaita
zvisina basa ndiri kuuya. Ah ko Revai waitoita wekubetserwa ka coz aitoita kunge ukukama
mombe tsiru kutosunga chaiko nekuti kubhidhirika kwacho kwakanyanya. Zvisinei vachingobva
ndakasara ndakubvunza twumubvunzo nhando ndichida kunzwa kuti nhasi temperature iri pachii
yerough.
*Me*,,ko mom vaendepi...nhasi.
*Revai*,,,ah muhomwe mangu havakwani hako sorry. Dai wanga uchida kuziva kwavaenda
ungadai wauya wavabvunza..... Ah Revai airuma nemashoko kani. Ndakabva ndaseka ndakaona
akunyara ndikati right ndabata munhu now. Ndaizonyepera kutarisa divi ndaiona shasha yarivara
nekunditarisa.... Saka Revai sha wakazotii nhai I love you babe with all my heart. You know
what Revi babe I do love you so much paunondidaira rough ndinofara zvisingaiti.... Ndakanzwa
munhu aseka ndikati nechemumoyo,,, *yessss" ndakaenderera ndikati without you in my life
handizombonzi Dady nevana vangu sha. *Mai Emma* or *Bradley junior* ndiwe babe I love
you so much... Ndakambonyarara ndakatarisa munhu wangu mumaziso ndakazongonzwa munhu
akuti chiendai henyu Mr Wilson. Ndakafreezer ndikati zvaita apa. Ndikati babe I have something
for you.... Akangoti money noo!!. Ndikati its not money hny... Ah iwe hny ndiani chiiko newewo.
Akandibvunza akanditarisa ndikati ok am sorry Mrs Wilson. Ndakavesa moto ipapo...."pliz
handizvidi hangu usadaro"... Ndakangoti sorry babe. Ko ndaimubata sezai ka. Ko ndingadii.
*Me*,,Brain can I have the box pliz....Brain akauya nebox akanditambidza... Ndikati babe ooh
its for you. I will come and teach you how to use chero kuti unozotsvakirwa namom
anokudzidzisa hanty.... Akabva ati chii ichocho. ndikati unovhurira kumba.. Ndakabva ndaoneka
hangu ndikati umhorose mom kana vadzoka. Handina kudairwa asi ndakafara ipapo..
Ndichipinda mumota ndakaona munhu achiuya kumota akabata kapaper. Ndikati Brain ooh
phone mutore mapics as many as you can achizosvika pamota anga atorwa mapics akawanda
naBrain... Oh ndanga ndakanganwa akadaro achinditambidza. Ndakatambira ndikaisa mumota.
Achibva ananga kugara pasi pamusika. Ndakadana mai Musomi ndikavapa $50 iya yandainge
ndapiwa naMac. Ndikati muzopa mai varevai $30 imi motora imwe yacho..... Brain let's go
takasimuka ndakaona paview mirror kuti kune munhu ari kumisa ... Ndakati Brain mira.Sarue
ndiye akauya achimhanya... "Ndapiwa watch yako iyi ndapiwa namai Musomi. Vati vanga
vakanganwa" akadaro Sarue. Apa zvaiitwa maziso na Sarue ummm apa mazamu ese aiva
pachena nehembe ka idzodzi dzinosiya cheast panze idzi. Achinditambidza watch akamboramba
akaibata akazoiregedza abudisa rurimi panze ndakapererwa... Thanks dear takuenda ndakadaro.
Zvikanzi "ok babe Bradley take care".. Ndikati thanks. Ah ndakapererwa kani....

*REVAI'S LETTER*

Hi,, Mr Bradley Wilson.

Ee hazvo zvawataura but I'm afraid


Zvinondiomera hangu its my first time. So ndinotya hangu kunonzi kuda munhu. But I don't
know how I feel especially when I look on those pics you gave me. Ummmm asi ndinotya hangu
kuda munhu nekuti kudanana kwacho kana kuriiko kwandinoona vamwe vachiita ka ummm
ndinotya hangu.
But keep these words. I Revai,I do ummm I lo..... Ah um I .. I. I. I.... Do lo.....

END OF CHAPTER.....10

WATCH OUT FOR PART....11

*akadiwa here bradie mutsamba apa.we love you guys keep on commenting muone kuti Revai
na Bradie varikunanga kupi*

*WE LOVE YOU*

*GOD BLESS YOU*


*AMEN*
[1/12, 17:46] +263 78 589 3888: Game of love Written by TSHIYIWE
(Meme)GONDONGWE
&
B.S BRAGGNAVE. SIKAZ
☎084 617 3754
064 179 1014
Chapter 11.
Revai �
Tsamba yandakanyora yakapedza half yebook chaiyo. Book racho ndaive ndatorikwereta
kuchikoro ndichida kuzorishandisa for working yemaths. Ndaingobata page ndokwachura then
ndodambura futi page iya nepakati. Zvekunyora zvacho ndozvandaishaya saka ndaiti ndikanyora
kuti ndokudawo sezvakataurwa namainini ndaizorangarira zvimwe zvainyorwa naBradley kuti
"ndokuda ndoda kuti uve mai vevana vangu,kana kuti i want you to be my mum". Aaa saka
ndikangoti ndokudawo ndenge ndatobvuma zvese izvozvo ndaibva ndatodambura ndotanga futi.
Mhinduro dzamainini dzaisaita plus mapfimbiro emukomana wacho aive akatosiyana saka
nezvaiitwa vana Saru. Mainini vakati kudanana kuita sana Saru naManu which means neanswer
yamainini vangu yekuti 'ndokudawo" Saru haana kumboudzwa kuti i want you to be my mum.
Akangonzi ndokuda chete aa ndakatambura ini kuti ndodii. Ndakatombotora tsamba yekutanga
ndikaiverenga futi ndakazvishaya ini. Ndakangozopindura ini ndikamusiyawo ane home work
eeeka ini ndaive intelligent saka ndakaita chigamba to chigamba asi book
rangu rakandirwadza. Ndichipedza kunyora tsamba yangu ndakaenda kukitchen ndokutanga
kubika hangu ndakamirira mainini vangu. Mainini pavakasvika vaingondirumbidza rumbidza
ndikashaya kuti ko kwaitikei nhasi. Ndakazonzwa vakuti "Revai next weekend unotorovha hako
nesaturday because ndoda kumbonoona mama vako kumusha ndagarisa uye ndavasuwa". Aaa ini
handina kumboita nharo asi ndakazonzwa mainini vavekuti "ndoda kumbonopa mukoma wangu
mari yechigayo hangu. Mari yandapiwa nemukomana uya yakawandisa handingamboishandisi
yese". Ndakanyarara handina kumboda kubvunza kuti imarii asi ndakazviudza kuti handiti
varikupanana ikoko mari dzavo vasazoti ini ndinozviziva. Mainini vakamboda kundibvunza kuti
wapiwei nhasi asi ndakangoti hapana ndokunyarara. Ndakazoenda kunoverenga asi ndaive
nezvakawanda zvaindinetsa mumoyo. Ndairwadziwa ndichiona Saturday ichindiitira kure kuti
ndipe Bradley tsamba yake.

Monday takaenda hedu kuchikoro as usual but Saru anga ave worse pakundivenga manje ini
ndaisadenha hangu asi ukanditanga ndaikuudza zvinoenderana newe. Ndakaona pabreak vauya
muclass vakabata mafreezits maviri maviri iye neshamwari dzake. Iye Saru akazoti "ungati
unonyengwa iwe usingapihwi mari here nhai vasikana saka mukomana wacho anoti unodyei,
ukaenda kunguva yamwari unoshandisei". Ndakaramba ndakateerera hangu ndikati hoo
ndokufurirwa kunoitwa vanhu wopedzisira wapinda munataisireva. Saru mari yaaidya akanga
aipiwa naBradley but aitoda kuita sekuti anopihwa mari naManu. Zvinomari yaunopiwa
nemukomana kana achikunyenga unoiti chii because yechikoro inonzi school fees. Ndaitogaya
hangu ndigere ndakatarisa vasikana vasveta mafreezit avo. Ndakazogaya ndikaerekana
ndataurisa kuti Nyengi fee kkk vana Saru vakacheuka vakatoshamisika. Ndakazobuda hangu
ndonogara panze ndichingorangarira zimusvigi regomana rainditenderedza musoro. Deep down
ndaizvinzwa kuti Bradley is mine but kuti nditi why mhinduro yaishaikwa. Ndakazoerekana
ndakuseka hangu ndega ndarangarira painzi naBradley mutsamba yake "babie ndokukara"
mupfungwa mangu makauya kalife katairarama kumba kwedu. Neuwandu hwataive nahwo taiti
chikafu chikauya taiita gachu kachu tichikarirana saka kwandiri kukara munhu nekukara chikafu
ndakaona zvisingaenderani meaning Bradley aitaura zvinhu zvisina musoro.

Chitatu takapihwa home work yecommerce. Ndichisvika kumba ndakambonotarira maphoto


angu ndokuzotanga kubika ko ndaitomakisa register zvee. Pandakapedza kubika ndakaenda
kunoita basa rangu rechikoro zvakanaka ndokuzotanga kuongorora maphoto aye zvekare ndaive
ndakutopengeswa neRavhu kkk. Ndakazoisa maphoto aye mubook riye rehomework ndikati
ndichamuka ndichidzosera muenvelop kuseni ndakuenda kuchikoro. Kuseni handina
kumbozozvirangarira ndakangoisa mabook angu muchisatchel changu chaiita sechinhava
ndokutoenda kuchikoro. Ndakazoshamisika ndakusheedzwa kuoffice ndikatoshaya kuti ko
vanondidii because ndaiteereraka ini. Mupfungwa dzangu makauya nyaya dzetsvina and for sure
musi iwoyo collar yangu yaive yakaita kunonera zvekuti yaigona kungovhunika netsvina.
Ndakawana maticha , maprefects naheadgirl naheadboy vese varimo. Nyaya yakazotaurwa
ndakapererwa ini ndikatanga kubvunda. Maphoto akatanga kutenderedzwa muvanhu vese
vaivemo vachibvunzwa kana pane aiziva mukomana aive pamaphoto but vazhinji vaingoti
hatimuzivi. Headgirl paakamatambidzwa akaramba akangotarisa maphoto aya vanhu
vakatofunga kuti pamwe azivawo. Head vakazomubvunza kuti aimuziva here mukomana wacho
Angela akati "no sir ndangoyeverwa neuniform iyi nokuti ndoyataipfeka kuchikoro
chandakambopinda kwaMutare". Mwana aive tsotsi iyeyu. Ndakazovhunzwa kuti ko mukomana
uyo aive ani uye maphoto ndakamawanepi. Ndakavaudza kuti akanhongwa namainini vangu
kumusika kwavo akasiiwa necustomer yavo. Maticha akaramba kuti mukomana uyu nezvaaive
anganzi ndewangu vakazobvuma zvandakataura vakati ndimasiye kwaHeadmaster
vaizomadeedzera kumagirosa vachitsvaka muridzi wawo.

Tichibuda chikoro ndakaona Angela akuuya kwandiri. Zvakatondishamisa ini because


aisangojairika ,ndevaya vana vevabereki vane mari saka neni taisamboenderana."Hie Revai
uricei". Ndakangoti bhoo muricei sister? "I'm fine Revai ndokumbirawo kukubvunza dear aya
maphoto wakamawanepi". Mubvunzo uyu wakandinetsa ini ndakatanga kugaya kuti asi Bradley
anodanana naAngela futi but moyo wangu wakaramba ipapo ndakangoti pamwe vane ukama.
Angela airatidza kuti mukuru kuna Bradley plus aidanana namananger wepaMine saka
zvaisapindirana. Ndakamuudza kuti ndakamanhonga kumusika nekuti umwe moyo wakati
pamwe atumwa kuzondiferefeta naHeadmaster. "Umm Revai kana wakamanhongaka
ndokumbirawo fever dear. Ndoda kuti unoti wawana muridzi wemaphoto then kana wamapiwa
wouya wondipa. Mukomana uya ndakaona mapicture ake kumba kwemukomana wangu Mac.
Munin'ina wake saka i think ndiye akamasiya please ndibatsirewo. Ukangomapiwa ndokupa
nhonga meso yako". Ndakangoti hoo saka Mac airehwa ndimanager wekuMine. Taingizivaka isu
head girl vanomhanya namanager ummm vaive vakapinda. Ndakazomuvimbisa kuita sezvaaive
andituma. Umwe moyo wakamboti ndiudze mainini vauye ivo kuzoatora asi ndakangozoti
tichaiita plan B kana ndanyimwa. Handiti ndivo vaitetena amount yaBradley here saka vaifanira
kutoishandira. Kwahead ndakazoenda ndikanopiwa maphoto aye mangwana acho
ndichangosvika kuseni. Angela akauya pabreak ndikamupa maphoto ,akada kundipa $5
ndikairamba.

Saturday handina kuenda kuchikoro ndakaenda kumusika kwamainini kunotengesa. Kuma1


ndakaona pamashops pachisvika chimwe chirakupiti chemota ndikaziva kuti ani umwe wacho
kunze kwani. Bradley akaburuka ndokuenda pamusika pamai Musomi vakazodungamidzana
vouya pandiri. Mai Musomi vaive nemuvhariti waindibhowa vaingoda kungotaura taura tusina
maturo. Ndakati nhasi ndichataurwa zvekuweta kwangu pana Bradley. Iyewo Bradley
aingobvunzawo nedivi hamheno kuti mainini vangu aivadii. Ndakamupindura zvandakadzidzira
zvangu chaizvo asi ndakazonyara hangu nekuti tsamba yaitauraka kuti ee hangu ee. Panguva
iyoyo Bradley akacheuka achitarisa vamwe vana vechikoro ndakamucheka neziso regodo chairo
nokuti kwaaive akatarisa kwaibva nanaSaru. Ndakaona kuti mukomana aive akachena apa face
yaiita seyemunhu anopoda. Mashoko aaitaura aindibhowa ndichimaudzwa but ndavekumba
ndichimabatanidza ndainzwa ropa rangu kumhanya. Ndakamboda kupa umwe mukomana
waafamba naye tsamba but ndakazeza nekunyara zvese. Ndakazopiwa zibox hamheno kuti
maive nei ndakatomboramba ndakutya aaa ukapusa unopiwa zvikwamboka nemunhu.
Ndakagamuchira asi ndakatsidza kuti handinoriisi mumba ndaitya kutatapurana nechezhira huru
wongozonzwa mumba makuchema vana Thula. Mai Musomi vaive vatove neATM card
kwaBradley aingovapa mari nxaa mukomana aitambisa mari zvinondisvota. Saru akaenda pana
Bradley pamota ndikanzwa kumuvenga. Ini aisataura neni but kuda kutaura nemukomana wangu.

Pasina kana 30mins ndakaona mota yana Bradley yadzoka hana yangu yakarova ndikatanga
kugaya nyaya yemaphoto. Akasvika ndokuburuka zvikanzi Honey honey honey. Ndakacheuka
cheuka ini ndikashaya kuti mukomana uyu nhaimi anodirei kungozviitisa pese pese. Pamusika
pamai Musomi paingove nematomatoes neonion. Isu pedu paive nemitsvairo nemasero. Ndakati
kana muchida uchi endai mushop iyo yekutanga vanotengesa hwakapimwa imomo kutangira
pacoin, chero hwe $ hunowanikwa. Mukomana aive naBradley akaita kuruma muromo wake
achisunga setsa dzaive dzamukurira akabva atopinda mumota ndokugara. Bradley akanyara
zvandakaonawo neni asi ini kana kumbogaya ko ndaive ndatadza here kumuratidza kune huchi
hwaaida. Akazoti "Revai shaa ndavinga iwe ko chii chakaitika nemaphoto ndanzwa mukoma
Mac vachiti vakamapihwa nemusikana wavo. Kubva nhasi chitoziva kuti vaya ndogulez vedu.
Sorry babie nekupinda mahwani but zvandanyanya kufambira ndezvetsamba yako yandaverenga.
Ndofara here mama handina kunyatsonzwisisa ini ndipindumurewo". Ndakati please usanditi
mama handisi mai vako ini aa. Akapererwa akaramba akangonditarisa ini ndaikuvara nenyadzi
ndakatarisa kwangu kwemazuva ese. Mai Musomi vakazviona vakanditsonya. Bradley
akabvunza zvekare akati "Revai ndibudirewo pachena wati unondidawo here ndifare".
Ndakazobata sense yezvaaitaura ndikati aaa ndakupa tsamba wani. Iye aingoti haina kumujekera
ndakazobata kumeso ndakavhara nemaoko ese ndikati Eee apa maziso azara nemisodzi yenyadzi.
Bradley akafara veduwee akauya akada kundibata ini ndikasumuka ndikamuudza kuti handizvidi.
Mai Musomi vakaseka veduwee vakapererwa vakashaya remuromo. Bradley akazoti "babie
ndokumbirawo kuti undiratidze kuti wandida. Ndakuda stage 2 tabva pastage one.
Ndozokuperekedza kana wakuenda kumba". Ndoenda ndoga ini unondiperekedza kuti
handikuzive here? Mai Musomi vakazvinzwa zvataitauura vakati " Revai chienda kumba ndosara
ndichitengesa. Ndakaramba zvekuti chero mai Musomi vakati surrend. Ndakaona mainini avo
vhuu ndikati finish. Vakasvikira paive namai Musomi ndikaona vozevezerana vakagamuchidzwa
$30. "Revai chienda kumba usanobika sadza usavi ndichauya nahwo". Ndakasumuka ndikatanga
kufambisa ndichienda. Vana mainini namai Musomi vakaseka chikwee ndikaziva kuti
vainditaura. Bradley aive atosara nechekure ndakanzwa mainini vondidana kuti ndidzoke.
Bradley haana kumira anenge aitoziva meaning yazvo. Ndichisvika paive namainini vakangoti "
sorry Revai enda hako ndandichida kuti undiratidze pawaisa mari manje ndaiona".
Ndakabhowekana Bradley aive atove mberi kwangu. Ndakatanga kufamba ndiri kumasure
kwake but ndiri nechekure mbichana. Akazomira pamumvuri akati "fambisa babie ndoda
kukurumidza kudzokera". Ndakazoudzwa zvese zvekufamily kwavo kuti vaive vangani
nekwavaibva nekunoshanda vabereki vake. Ini kwangu kwaisataurika ikoko kwaive nemhamhasi
dzevanhu kotaive takawandazve. Baba vanhu vaikacha migomo vaitonzi Vadhingongongo.
Bradley akazomira mberi kwangu akati " Revai usandinyara shaa why uchifamba wakatarisa
kuside. Babie ndakuda kudzokera chindiratidza kuti wandida". Ndakashaiwa kuti airevei ini
ndikati handiti ndakupa tsamba here? Zvikanzi "action babie ndoyandakuda. Kana usingazive
rega ndikuratidze". Semunhu aive akatarisa kuside ndakangonzwa Bradley andimbundikira apa
muromo wake waitouya kune wangu. Ndakascreamer ndichipukunyuka mumaoko ake ndikati "
handichadi zvapera. Akaedza kundinyengerera kutotevera kudii asi ndakaramba ndikatotiza.
Akasara akagara padombo ndikati hanya nani.

Manheru mainini vakauya vakabata box riya randakapiwa naBradley. Ndichingoriona


ndakangoti mama ndipei nderangu. Mainini vaifunga kuti pamwe rakanganwikwa necustomer.
Vakada kuziva kuti raive nei asi ndakaramba kurivhura varipo. Vakatanga kutaura neni vachiti
Bradley ati ndikuudze kuti sorry. Vakada kuziva kuti chii chaitika ndikaramba kuvaudza.
Ndakazopiwa satchel namainini yavaiti vanditengera ndikabva ndatoisa box riya imomo.
Masatchel akanzi kings taingoanera kuvana veshoroma plus shop yaimatengesa pamagirosa pedu
yaimadhurisa. Ndakavatenda hangu vakati vaizonditsvakira uniform nemonday ndakubva
kuchikoro kuitira kuzopima.

End of chapter 11
Love you all���

Like our Facebook page


Meme books

WhatsApp links����
Meme books https://chat.whatsapp.com/C4GMb4xPebS5SaAShUADdC

Welcome to Meme books GRP 2 https://chat.whatsapp.com/H2Nhk27GAjO0WjKe0qhZka

Game of love Written by TSHIYIWE (Meme)GONDONGWE


&
B.S BRAGGNAVE. SIKAZ
☎084 617 3754
064 179 1014
Chapter 11.
Revai �
Tsamba yandakanyora yakapedza half yebook chaiyo. Book racho ndaive ndatorikwereta
kuchikoro ndichida kuzorishandisa for working yemaths. Ndaingobata page ndokwachura then
ndodambura futi page iya nepakati. Zvekunyora zvacho ndozvandaishaya saka ndaiti ndikanyora
kuti ndokudawo sezvakataurwa namainini ndaizorangarira zvimwe zvainyorwa naBradley kuti
"ndokuda ndoda kuti uve mai vevana vangu,kana kuti i want you to be my mum". Aaa saka
ndikangoti ndokudawo ndenge ndatobvuma zvese izvozvo ndaibva ndatodambura ndotanga futi.
Mhinduro dzamainini dzaisaita plus mapfimbiro emukomana wacho aive akatosiyana saka
nezvaiitwa vana Saru. Mainini vakati kudanana kuita sana Saru naManu which means neanswer
yamainini vangu yekuti 'ndokudawo" Saru haana kumboudzwa kuti i want you to be my mum.
Akangonzi ndokuda chete aa ndakatambura ini kuti ndodii. Ndakatombotora tsamba yekutanga
ndikaiverenga futi ndakazvishaya ini. Ndakangozopindura ini ndikamusiyawo ane home work
eeeka ini ndaive intelligent saka ndakaita chigamba to chigamba asi book
rangu rakandirwadza. Ndichipedza kunyora tsamba yangu ndakaenda kukitchen ndokutanga
kubika hangu ndakamirira mainini vangu. Mainini pavakasvika vaingondirumbidza rumbidza
ndikashaya kuti ko kwaitikei nhasi. Ndakazonzwa vakuti "Revai next weekend unotorovha hako
nesaturday because ndoda kumbonoona mama vako kumusha ndagarisa uye ndavasuwa". Aaa ini
handina kumboita nharo asi ndakazonzwa mainini vavekuti "ndoda kumbonopa mukoma wangu
mari yechigayo hangu. Mari yandapiwa nemukomana uya yakawandisa handingamboishandisi
yese". Ndakanyarara handina kumboda kubvunza kuti imarii asi ndakazviudza kuti handiti
varikupanana ikoko mari dzavo vasazoti ini ndinozviziva. Mainini vakamboda kundibvunza kuti
wapiwei nhasi asi ndakangoti hapana ndokunyarara. Ndakazoenda kunoverenga asi ndaive
nezvakawanda zvaindinetsa mumoyo. Ndairwadziwa ndichiona Saturday ichindiitira kure kuti
ndipe Bradley tsamba yake.

Monday takaenda hedu kuchikoro as usual but Saru anga ave worse pakundivenga manje ini
ndaisadenha hangu asi ukanditanga ndaikuudza zvinoenderana newe. Ndakaona pabreak vauya
muclass vakabata mafreezits maviri maviri iye neshamwari dzake. Iye Saru akazoti "ungati
unonyengwa iwe usingapihwi mari here nhai vasikana saka mukomana wacho anoti unodyei,
ukaenda kunguva yamwari unoshandisei". Ndakaramba ndakateerera hangu ndikati hoo
ndokufurirwa kunoitwa vanhu wopedzisira wapinda munataisireva. Saru mari yaaidya akanga
aipiwa naBradley but aitoda kuita sekuti anopihwa mari naManu. Zvinomari yaunopiwa
nemukomana kana achikunyenga unoiti chii because yechikoro inonzi school fees. Ndaitogaya
hangu ndigere ndakatarisa vasikana vasveta mafreezit avo. Ndakazogaya ndikaerekana
ndataurisa kuti Nyengi fee kkk vana Saru vakacheuka vakatoshamisika. Ndakazobuda hangu
ndonogara panze ndichingorangarira zimusvigi regomana rainditenderedza musoro. Deep down
ndaizvinzwa kuti Bradley is mine but kuti nditi why mhinduro yaishaikwa. Ndakazoerekana
ndakuseka hangu ndega ndarangarira painzi naBradley mutsamba yake "babie ndokukara"
mupfungwa mangu makauya kalife katairarama kumba kwedu. Neuwandu hwataive nahwo taiti
chikafu chikauya taiita gachu kachu tichikarirana saka kwandiri kukara munhu nekukara chikafu
ndakaona zvisingaenderani meaning Bradley aitaura zvinhu zvisina musoro.

Chitatu takapihwa home work yecommerce. Ndichisvika kumba ndakambonotarira maphoto


angu ndokuzotanga kubika ko ndaitomakisa register zvee. Pandakapedza kubika ndakaenda
kunoita basa rangu rechikoro zvakanaka ndokuzotanga kuongorora maphoto aye zvekare ndaive
ndakutopengeswa neRavhu kkk. Ndakazoisa maphoto aye mubook riye rehomework ndikati
ndichamuka ndichidzosera muenvelop kuseni ndakuenda kuchikoro. Kuseni handina
kumbozozvirangarira ndakangoisa mabook angu muchisatchel changu chaiita sechinhava
ndokutoenda kuchikoro. Ndakazoshamisika ndakusheedzwa kuoffice ndikatoshaya kuti ko
vanondidii because ndaiteereraka ini. Mupfungwa dzangu makauya nyaya dzetsvina and for sure
musi iwoyo collar yangu yaive yakaita kunonera zvekuti yaigona kungovhunika netsvina.
Ndakawana maticha , maprefects naheadgirl naheadboy vese varimo. Nyaya yakazotaurwa
ndakapererwa ini ndikatanga kubvunda. Maphoto akatanga kutenderedzwa muvanhu vese
vaivemo vachibvunzwa kana pane aiziva mukomana aive pamaphoto but vazhinji vaingoti
hatimuzivi. Headgirl paakamatambidzwa akaramba akangotarisa maphoto aya vanhu
vakatofunga kuti pamwe azivawo. Head vakazomubvunza kuti aimuziva here mukomana wacho
Angela akati "no sir ndangoyeverwa neuniform iyi nokuti ndoyataipfeka kuchikoro
chandakambopinda kwaMutare". Mwana aive tsotsi iyeyu. Ndakazovhunzwa kuti ko mukomana
uyo aive ani uye maphoto ndakamawanepi. Ndakavaudza kuti akanhongwa namainini vangu
kumusika kwavo akasiiwa necustomer yavo. Maticha akaramba kuti mukomana uyu nezvaaive
anganzi ndewangu vakazobvuma zvandakataura vakati ndimasiye kwaHeadmaster
vaizomadeedzera kumagirosa vachitsvaka muridzi wawo.

Tichibuda chikoro ndakaona Angela akuuya kwandiri. Zvakatondishamisa ini because


aisangojairika ,ndevaya vana vevabereki vane mari saka neni taisamboenderana."Hie Revai
uricei". Ndakangoti bhoo muricei sister? "I'm fine Revai ndokumbirawo kukubvunza dear aya
maphoto wakamawanepi". Mubvunzo uyu wakandinetsa ini ndakatanga kugaya kuti asi Bradley
anodanana naAngela futi but moyo wangu wakaramba ipapo ndakangoti pamwe vane ukama.
Angela airatidza kuti mukuru kuna Bradley plus aidanana namananger wepaMine saka
zvaisapindirana. Ndakamuudza kuti ndakamanhonga kumusika nekuti umwe moyo wakati
pamwe atumwa kuzondiferefeta naHeadmaster. "Umm Revai kana wakamanhongaka
ndokumbirawo fever dear. Ndoda kuti unoti wawana muridzi wemaphoto then kana wamapiwa
wouya wondipa. Mukomana uya ndakaona mapicture ake kumba kwemukomana wangu Mac.
Munin'ina wake saka i think ndiye akamasiya please ndibatsirewo. Ukangomapiwa ndokupa
nhonga meso yako". Ndakangoti hoo saka Mac airehwa ndimanager wekuMine. Taingizivaka isu
head girl vanomhanya namanager ummm vaive vakapinda. Ndakazomuvimbisa kuita sezvaaive
andituma. Umwe moyo wakamboti ndiudze mainini vauye ivo kuzoatora asi ndakangozoti
tichaiita plan B kana ndanyimwa. Handiti ndivo vaitetena amount yaBradley here saka vaifanira
kutoishandira. Kwahead ndakazoenda ndikanopiwa maphoto aye mangwana acho
ndichangosvika kuseni. Angela akauya pabreak ndikamupa maphoto ,akada kundipa $5
ndikairamba.

Saturday handina kuenda kuchikoro ndakaenda kumusika kwamainini kunotengesa. Kuma1


ndakaona pamashops pachisvika chimwe chirakupiti chemota ndikaziva kuti ani umwe wacho
kunze kwani. Bradley akaburuka ndokuenda pamusika pamai Musomi vakazodungamidzana
vouya pandiri. Mai Musomi vaive nemuvhariti waindibhowa vaingoda kungotaura taura tusina
maturo. Ndakati nhasi ndichataurwa zvekuweta kwangu pana Bradley. Iyewo Bradley
aingobvunzawo nedivi hamheno kuti mainini vangu aivadii. Ndakamupindura zvandakadzidzira
zvangu chaizvo asi ndakazonyara hangu nekuti tsamba yaitauraka kuti ee hangu ee. Panguva
iyoyo Bradley akacheuka achitarisa vamwe vana vechikoro ndakamucheka neziso regodo chairo
nokuti kwaaive akatarisa kwaibva nanaSaru. Ndakaona kuti mukomana aive akachena apa face
yaiita seyemunhu anopoda. Mashoko aaitaura aindibhowa ndichimaudzwa but ndavekumba
ndichimabatanidza ndainzwa ropa rangu kumhanya. Ndakamboda kupa umwe mukomana
waafamba naye tsamba but ndakazeza nekunyara zvese. Ndakazopiwa zibox hamheno kuti
maive nei ndakatomboramba ndakutya aaa ukapusa unopiwa zvikwamboka nemunhu.
Ndakagamuchira asi ndakatsidza kuti handinoriisi mumba ndaitya kutatapurana nechezhira huru
wongozonzwa mumba makuchema vana Thula. Mai Musomi vaive vatove neATM card
kwaBradley aingovapa mari nxaa mukomana aitambisa mari zvinondisvota. Saru akaenda pana
Bradley pamota ndikanzwa kumuvenga. Ini aisataura neni but kuda kutaura nemukomana wangu.
Pasina kana 30mins ndakaona mota yana Bradley yadzoka hana yangu yakarova ndikatanga
kugaya nyaya yemaphoto. Akasvika ndokuburuka zvikanzi Honey honey honey. Ndakacheuka
cheuka ini ndikashaya kuti mukomana uyu nhaimi anodirei kungozviitisa pese pese. Pamusika
pamai Musomi paingove nematomatoes neonion. Isu pedu paive nemitsvairo nemasero. Ndakati
kana muchida uchi endai mushop iyo yekutanga vanotengesa hwakapimwa imomo kutangira
pacoin, chero hwe $ hunowanikwa. Mukomana aive naBradley akaita kuruma muromo wake
achisunga setsa dzaive dzamukurira akabva atopinda mumota ndokugara. Bradley akanyara
zvandakaonawo neni asi ini kana kumbogaya ko ndaive ndatadza here kumuratidza kune huchi
hwaaida. Akazoti "Revai shaa ndavinga iwe ko chii chakaitika nemaphoto ndanzwa mukoma
Mac vachiti vakamapihwa nemusikana wavo. Kubva nhasi chitoziva kuti vaya ndogulez vedu.
Sorry babie nekupinda mahwani but zvandanyanya kufambira ndezvetsamba yako yandaverenga.
Ndofara here mama handina kunyatsonzwisisa ini ndipindumurewo". Ndakati please usanditi
mama handisi mai vako ini aa. Akapererwa akaramba akangonditarisa ini ndaikuvara nenyadzi
ndakatarisa kwangu kwemazuva ese. Mai Musomi vakazviona vakanditsonya. Bradley
akabvunza zvekare akati "Revai ndibudirewo pachena wati unondidawo here ndifare".
Ndakazobata sense yezvaaitaura ndikati aaa ndakupa tsamba wani. Iye aingoti haina kumujekera
ndakazobata kumeso ndakavhara nemaoko ese ndikati Eee apa maziso azara nemisodzi yenyadzi.
Bradley akafara veduwee akauya akada kundibata ini ndikasumuka ndikamuudza kuti handizvidi.
Mai Musomi vakaseka veduwee vakapererwa vakashaya remuromo. Bradley akazoti "babie
ndokumbirawo kuti undiratidze kuti wandida. Ndakuda stage 2 tabva pastage one.
Ndozokuperekedza kana wakuenda kumba". Ndoenda ndoga ini unondiperekedza kuti
handikuzive here? Mai Musomi vakazvinzwa zvataitauura vakati " Revai chienda kumba ndosara
ndichitengesa. Ndakaramba zvekuti chero mai Musomi vakati surrend. Ndakaona mainini avo
vhuu ndikati finish. Vakasvikira paive namai Musomi ndikaona vozevezerana vakagamuchidzwa
$30. "Revai chienda kumba usanobika sadza usavi ndichauya nahwo". Ndakasumuka ndikatanga
kufambisa ndichienda. Vana mainini namai Musomi vakaseka chikwee ndikaziva kuti
vainditaura. Bradley aive atosara nechekure ndakanzwa mainini vondidana kuti ndidzoke.
Bradley haana kumira anenge aitoziva meaning yazvo. Ndichisvika paive namainini vakangoti "
sorry Revai enda hako ndandichida kuti undiratidze pawaisa mari manje ndaiona".
Ndakabhowekana Bradley aive atove mberi kwangu. Ndakatanga kufamba ndiri kumasure
kwake but ndiri nechekure mbichana. Akazomira pamumvuri akati "fambisa babie ndoda
kukurumidza kudzokera". Ndakazoudzwa zvese zvekufamily kwavo kuti vaive vangani
nekwavaibva nekunoshanda vabereki vake. Ini kwangu kwaisataurika ikoko kwaive nemhamhasi
dzevanhu kotaive takawandazve. Baba vanhu vaikacha migomo vaitonzi Vadhingongongo.
Bradley akazomira mberi kwangu akati " Revai usandinyara shaa why uchifamba wakatarisa
kuside. Babie ndakuda kudzokera chindiratidza kuti wandida". Ndakashaiwa kuti airevei ini
ndikati handiti ndakupa tsamba here? Zvikanzi "action babie ndoyandakuda. Kana usingazive
rega ndikuratidze". Semunhu aive akatarisa kuside ndakangonzwa Bradley andimbundikira apa
muromo wake waitouya kune wangu. Ndakascreamer ndichipukunyuka mumaoko ake ndikati "
handichadi zvapera. Akaedza kundinyengerera kutotevera kudii asi ndakaramba ndikatotiza.
Akasara akagara padombo ndikati hanya nani.

Manheru mainini vakauya vakabata box riya randakapiwa naBradley. Ndichingoriona


ndakangoti mama ndipei nderangu. Mainini vaifunga kuti pamwe rakanganwikwa necustomer.
Vakada kuziva kuti raive nei asi ndakaramba kurivhura varipo. Vakatanga kutaura neni vachiti
Bradley ati ndikuudze kuti sorry. Vakada kuziva kuti chii chaitika ndikaramba kuvaudza.
Ndakazopiwa satchel namainini yavaiti vanditengera ndikabva ndatoisa box riya imomo.
Masatchel akanzi kings taingoanera kuvana veshoroma plus shop yaimatengesa pamagirosa pedu
yaimadhurisa. Ndakavatenda hangu vakati vaizonditsvakira uniform nemonday ndakubva
kuchikoro kuitira kuzopima.

End of chapter 11

Chapter.....12

Ndakasvika hangu kumba kwaMac ndichifara kani ko tsamba yairatidza kudiwa chero zvanga
zvisina kuti tsvikiti ndakangoti ah zvakuita. ko pana Revai paid a kuva nemoyo murefu sewe
*Harati* inopedza muti wese kuti tsvai isina kunwa mvura. Ahhh ndakumba kwaMac ndakaona
kuti iyi tsamba yakuda kuti nditotanga ndazvionera pamhino sefodya. Asi revai
aindishungurudza amana. Zvakazopinda mundangangariro dzangu ndezvekuti dai
ndangodzokera ndanozvinzwira. Ndichibuda padoor ndakabva ndasangana naAngela musikana
wamukoma Mac. "Ah bamunini ndaita luck wasn't know kuti muri kuno hey am very luck"
akadaro Angela achipinda Mumba and she gave hug kuna bro Mac takagara Pasi ndikati. What is
it Gulez. "Do you know these pics" ndakatambira ndikaona yoo. Oh my God, where did you get
these pics Gulez. Mukoma Mac vakatoshamisika wo nazvo."ucharoiwa mafana unongopa vanhu
mapics ah ucharoiwa hako". Akadaro Mac asingafari. Ndakabva ndati mamawanepi mapics aya.
Van and it's an an buries kuti anhongwa kuchikoro ari mumabooks emumwe musikama anonzi
revai. Akadaro angela . ah ok she is my girl that one. Ah its fine give me the pics now I wanna
take them back to her. Ah takatanga kufara hedu ndikati chance brain handei tinodzosera mapics
aya plus ndida kumbonzwa kuti zvaanyora mutsamba is it true or what.

Tichisvika pamashops pawadzanai paya ndakadana babe wena riri pamusika. Hny, hny, hny.
Yoo ndakatozoratidzwa shop inowanikwa uchi in hangu kkkkk zvarevai Zvaindikona hangu ah.
Ndakazoti Maya babe am talking to you ah pakamboitwa yake iya zvee ko ndaitoziva kuti rough
ndokuti revai. Ndakazongoti chinguvana ndakaona mai vake vachisvika kwakumuti aende
kumba ndikati ko chimwe chance chichabvepi apa. Ndakamutevera asi aifamba anga atova kure.
Ndakutoda kudzoka akadanwa namai vake kuti adzoke ndikati Mwari wangu. Akadzoka ini
ndikatungamira ko kuma revai kuti nditi apa rudo rwaizopfumbira ah zvaingonetsa kani
ndakanomira pamumvuri wangu uya pakona, achisvika ndakabva ndato mutangidzira kuti wanga
uchirevesa here babe ndiratidze kuti sure am inlove with an angel of my dreams. Akangoti inga
ndakupa tsamba wani zviri mutsamba ndizvozvo. Ndikati ndiratidzewo akabva atarisa kuside. Ini
chandaiziva kuti kana ndadiwa ka ndowanawo hug and simple French kiss ka. Ahh APA
ndakazvinyepera wena ndakanombundira revai pakuda kunoti nditi French kiss or baby kiss
akandiitira rimwe Simba rekuti nanhasi I can't believe it. Sure ndanga ndakanzwa kuti mhandara
inesimba kudarika chero murume mukuru. Ndakasairirwa uko hey munhu kwakutiza pano neapo
akati ndakakiudza kuti iyoyo live yacho yekurumana nekubatana ah bodo handichadi
handichatombodi. Akamhanya wena ndakapera Simba zvekubvisa ma neck chainz andaiva
unawo zvese nehat ndikagara Pasi akanditonhodza zvandaisatarisira. Wakamboona ukapisa kana
dombo wozongoridira mvura yakatonhora rinotsemuka. Ndozvandakaitwa narevai apa. Mhere
yaakaridza so ka i can't believe it ndakazosara ndakagara padombo ah munhu atobaya.
Ndakadzoka kumashops ndakaneta ndikapinda mumota ndikati Brain hande. Brain akamboedza
kuda kunzwisisa kuti chii chaitika ndakatadza kana kutaura tichisvika kwamukoma Mac
ndakasvika Angela aripo achitobika. Ndikamutsanangurira nyaya yangu akandisimbisa kuti
aizononotaura naRevai kuchikoro. That time Tania akafona ndingamudaira ppakadai maya. Ah
kana ndaimudaira sei ini ndine stress and ndaisamuda mhani. Takasimuka nabrain takananga
kumba kuharare. Tichisvika kumba ndakangomhorosa mom ndichinanga kunorara since dady
that time vanga vasipo. Mom vakauya muroom mangu...."what is it my boy"mom vakabvunza
ndikati that girl wekushamva mom. "What is it about her son". Ah mom ma1 ndakavapa tsamba
vakaverenga vakati "ah pese apa anga asati akuda why" anoziva kuti you are from a royal family
here musikana uyu. so nhasi wadiwa saka watsamwei" ah mom anozviziva asi pamusikana uyi
mari haishandi mom. Ndakapindura apo mom vaindida sei."ok son sleep i wanna open account
for her and if you have her mumber let me have them and i will call her" mom vaindida mhani
ndakavapa number iya zve yeline randainge ndatenga. Then mom tried to call but yairamba
ndikati ah phone yacho itsva saka maybe amboiisa pacharge 8 hour to boost the battery. Mom
vakanditi send me her pics on app. Ndakabva ndavakandira andakanga ndatorerwa nabrain
paiuya babe kuzondipa tsamba pamota...."hiiiiiii upcoming angel". Vakadaro mom vakatarisa her
pics. Kkk musadaro mom. "this girl she is an angel sure". Vakadaro mom again and ndakabva
ndatanga kufara ndikati kana vamwe vachiti vakapedza bhutsu vachifambira babe neni
ndichapedza matyre ndichimufambirawo. Mom vakabva vati i will create a chance for you mid
week urovhe chikoro unomuona.ndakambundirana namom ndikati thanks mom. Andmom
vakabva vasimuka vakati good night my boy vachindifukidza sheet since kwaipisa
vachinditsvoda pamhanza. Vachibva vadzima light ndokueda kuroom kwavo havo. Takamuka
kuseni sunday dady was at home asi vakabva vati nhasi handisi kuenda kuchurch ndikuenda ku
vic falls nebasa ndodzoka friday. ndikati nechemumoyo ah zvangu zvaita. Nguva iyoyo phone
yangu yaka ringer and a that time I thought that was Revai and ndichinotarisa ndakaona ari Tania
ndikaignore hangu. Dady vakabvunza wena."Bradie why don't you answer your phone". No
Dady anonetsa uyu mukomana uyu ah abvira kuphona masikati. "Do you know that pastor called
me yesterday telling me that Tania was crying because of you". Dady vakadaro vakanditarisa
pamhanza Paine Malines lines. Ah ndakashamisika wena ndikati so manga matii dady . do you
think I should entertain her even if am busy doing something?.,,,,,"what's the silly question
Bradley whom do you think you are talking to.,,,,kkkkkk Marcia laugh.,,, ahh am sorry dady .
ndakadaro ndatoona kuti ndakutopinzwa busy now.,,,"yea you better be" he repied. "So pliz as
from today onwards you should change your manners". Ok dady am sorry. Kuna dady kwaida
futi moyo murefu uya sewe *harati* futi. Ndakaona mom vachinditsinya nekaziso. Dady
vakazobuda kuma9 isu takuenda kuchurch hedu.

After church pastor vakadana mom ini ndikasara ndakamira naBenhildah naMarcia. "Ahh this
pastor is not good". Akadaro ben."why you say so my sister. Ndakamubvunza wo back.,,,"ah
why is it vachifurira mwana wavo kuda munhu mudiki kwaari havanyari here amana, but its not
fair.even dady is wrong also". Ndakatarisa Marcia ndikaona kuti arikutapa nyaya yes kuda
kuzotaura kuna dady. Ndakaona mom vakundipa sign yekuti huya kuno."lets go together bradie".
Ben akadaro akandibata. Ok sisi lets go.Marcia akasara akapinda mumota. Tichisvika
takakwaziswa na pastor. Tania akabva atosvika akamira paside pangu. Ben akabva opposite side
ndokuuya ndokupinda pakati pangu naTania. Ndakamboda kuseka ndikazvibata ndakatoona kuti
pastor vatozviona kuti her daughter is not welcomed in our family. Vakabva vataura nyaya yavo
vakati."Tania was crying yesterday achiti bradie was not picking her calls. So i just called you
here mom my son and my daughter. I want to a.....". Wait wait wai wai wait!!! Pastor you said
you called my mom my brother and your what your daughter a man snatcher. Yoo Ben mind
your speech. Vakadaro mom asi akagona Ben but ipapo ndakanyara. Akabva atonzi namom ibva
pano takatanga kufamba achishevedzera. "Leave my brother alone you snatcher. Wakukonzeresa
ruvengo mumhuri yedu you bitch. Mai vangu kuchema ne kuda kwako iwewe brother yangu
kupotsa arariswa panze for your sake fuck you"... Maiwe ndakanyara ndikashaya pekupinda
ukuda Tania akabva tanga kuchema. Nguva iyoyo mom takatanga kumusofter ini ndichitotanga
kufamna ndakananga kumota. Mom vakazouya vakapopotera Ben kuti you were not supposed to
shout on that girl coz Dady vako vakauya uchatorohwa. Asi Ben akatonyanyisa kupopota zvekuti
tese takangoti nhasi kwakaoma kuno popotwa wo na Ben nemanyarariro aakaita. Tichinosvika
kumba Dady vakabva vafoma wena payphone yamom vakati is a paloud munhu wese anzwe.
Vakapopota vakataura mashoko akawandisa asi mom vakati tese tingoti sorry Dady. Ko murume
wavo zvee vaitoziva pekunanga kana atsamwa. Takangoti we are sorry Dady tiregererei wo.
Vakati its fine asi musazviita futi. Ah mai vangu vaiziva zvinoda murume wavo shuwa kana
madzimai ese achida sa mom ka ahh mudzimba mukunakidza umu. Takazosara hedu tofara Dady
vapedza kutaura. Asi my sister Marcia was the problem paden. Takanovata wena late but
ndakatoita sekunge ndichanovata Mumba mumwe chete na Ben coz takanga towirirana.

Monday morning ndakatomuka hangu tikaenda kuchikoro asi ndauita sekunge ndichapusha
mazuva nemaoko. Kuchikoro zvese vakanga vakutoziva kuti ndine musikana ari kuruzevha coz
vakatanga vachaseka kusvika vajaira. Ndakazovingwa nevamwe ma'am veEnglish masikati
palunch vakataura neni vakati Bradie I wanna see you in my staff room after lunch ndikati fine.
Ah ndakasara ndichingofunga kuti why ma'am vadaro. Lunch rakapera ndkati regai ndinonzwa
kuti chii. Ndakapinda mustaff room ma'am vakabva vandivharira door kwakutanga kundiudza
kuti vaindida vakabva vatondiudza nezita ravo. zvikanzi ukaona ndichinzi Miss V maphosa.
Ndinonzi Valely Maphosa and my friends used to call me 'Vale'. Ndikati its fine. Vakada
kunondibata ndakavasandidzira ndikati I have a girl friend am sorry Miss vale whatever the
name. I just wanna inform you that am someone's property ok. Good day. Ndakabva ndabida
ndikanogara Pasi ma'am vakazobuda Havana kana kuzoitisa English wena ndakatoona kuti
shasha yakunyara. Asi mumoyo mangu ndakangoti musikana wangu haadi kubatwa so neni
handichadi kubatwa ndichabata Revai kana nguva yakwana naniwo ndipo pandichabatwa wo.

After school ndakangopinda mota musikana wandaidanana Naye akanditarisa ndikati mumoyo
mangu Bradie waRevai ungandidii hapana zvaunondiita dai ndaikukumbira mari better. mari
ndinawo rudo ndinarwo ariko Mrs Wilson pashamva so bye. Mota yakasimudzwa tikaenda
kumba tichisvika on vachitobva kubasa vakati right Thursday unoenda kushamva Bradie don't
worry my son. Ndikatenda mom ndikafara. Then Ben akabva ati neni ndikuda kuenda wo.
ndikati ahh no tozoenda tese weekend. Apa ndairambira kuti dzungu Rina revai ka ummm
ndikaenda naben ndinganyara. Ben akazvinzwisisa hake. Ndakaenda kunovata hangu that time
apa ndainge ndifarira kugara ndega coz ndaida kufunga chaiko plan. Coz ah zvaitemesa musoro
zvarevai waisa planer.
*Three days later*
Thursday ndakamuka ndichitogadzirira kuenda kushamva. Ndachipedza kugeza ndakamonera
towel rangu ndakapinda muroom mangu ndakutozora mafuta wena ndiri padressing table
ndakanzwa kuti phone yangu iri ku vibrate somewhere ndakaona pane 12 missed calls new
number ndakabva ndafona.
Hello ndiani I missed your call on this number am Bradley Wilson...." Ok am Angela how are
you bamunini". Ah Gulez ndonumber dzenyu idzi.yes OK Gulez yeah today am coming pliz
keep her safe for me.. Yeeeeee great ndapinda yoo ndakafara ndaudzwa na Angela kuti Revai
akanga abvuma kudanana neni. Ummmm dai akasazoramba futi and handichamubati futi.
Ndakazviudza kudaro ndine mufaro wakasimba.add to that ndaifarira kuti kuchikoro kwavo
Kune masport wena zvandanga ndaudzwa naAngela, pafoni.
Brain let's go ndakaita kudanidzira apa vanhu zvese pamba vanga vabuda. Brain akauya
ndokusimudza mota takangotora Hammer futi. Ndakazopedzisa kugadzirisa machainz angu mota
yakutorova Pasi. Hatina kuenda kumba kwaMac coz aitova pabasa yaiva thursday ka. Ndakafona
ndiri pamashops paWadzanai kuti Angela auye atitore ipapo. Akangoti Angela achisvika
achipinda kumota ndakatanga kubvunza kuti are you serious abvuma shuwa. Akandisimbisa
akati now zvaita asi kubatwa haadi hake. Ndakati ah hazvina basa Chero abvuma. Ndakazoti ko
madii kuuya naye... Ah aramba ati endai munomutora muuye Naye. Akadaro Angie.
Brain hande. Which way Gulez...."left". Akadaro Angie. Tichisvika pachikoro vanhu vese
vakatarisa kwatiri like varikuona zvimwe zvinhu... Angie akaburuka akanotsvaka Revai and she
came back achitoti revai hanzi paaona mota yedu abva atiza aenda kumba hey ndakasvotwa kani.
Takazongogara paya ana Sarue vatouya paya ndikatenga madrinks aitengeswa vanhu vese
vaivapo vakanwa madrinks tikaita kunge pane party wena takazofara asi ini ndaingofunga Revai
hangu. Ndakazopiwa sign nemumwe babie yekuti huya pano. Kana makamboona sign yakapiwa
Jah prayzer pasong inonzi " *HELLO* ", ndosign yandakapiwa ipapo ndikati nhasi zvangu.
Ndakabva ndaramba ndakamutarisa ndikasiyana naye. Ndakazobvunza Angie kuti musikana uyo
akamira pakati pevasikana avo anonzani. Zvikanzi apo panaBRIDGET, MELODY and
SHANTEL. akudana uyo ndiMello asi ane mukomana wake anonzi, Professor. Ndikatoti ko why
arikundidana iye ane mukomana anopenga asi. Ah takabva taseka hedu tichirovana maoko
naAngie.

Ma sports akati apera kuma 5 takasimudza mota takananga kumashops tikasvika ndikaona revai
ari pamusika namai vake. Ndakakwazisana namai musomi ndikaenda pamusika pamai vaRevai
ndikava mhorosa. Zvisinei ndakabva ndatopiwa mukana namai vake vakati ndikuuya mwanangu
hameno kuti vakange vaendepi. Angie akabva aburuka mumota akauya pamusika. ,,,,"hesi babe
wangu". Ndakamhorosa revai. Ah ndiribho. Akadaira akatarisa divi asi ndakafara ipapo coz was
my first time kunzwa achibvuma kunzi babe wangu. Akazobvunzwa naAngie kuti sei wanditiza
akatadza kupindura akangotarisa kuside. Takatozotanga kutaura nyaya ndikati gulez i love Revai
so much. Akabva adaira wena zvikanzi saka ava vauri kuudza ukuda kuti vakubatsire kundida
here. Ndakangoti zvatanga kkkk. Ah revai usadaro angel. ,,"ah iwe uite mushe angel inini usada
kunditukisa naMwari uchindiita ngirozi yako.. Ndisati ndapindura akapindurwa naAngiela.
Zvisinei akabva anzwisisa kuti zvinorevei. Mai vake vakadzoka vakati mwanangu perekedzanai
kumba munonditorera imwe stuff ndimbotengesa. nhasi ndotobva pamusika kuma9. Ndakabva
ndati zvangu zvaita Angie akabva asara mumota nabrain. takaenda nebabe tichitaura ndaitaura
zvinhu zvakawanda iye aizongodaira ka1 ah zvakaoma.,,,, nhai revai ko uchanyatso ndinzwisisa
rini. Haana kupindura akazongondibvunza kuti "unoda here kunzi 'DADY'. Hiiiii ndakamerera
ndikati ndirevai here uyu akutaura kudaro. Why not my babe ndakapindura. Akabva ati hoo
ndichazokuita. Ndakati thanks tichisvika pamba pavo akati mira pano pagate wena ndakasara
paya akapinda achidzoka anga ane stuff ramai vake neimwe paper bag yeblack akati handei
akandipa paper bag riya akati unonovhurira kumba. Ndikati thanks my love takafamba
tichidzokera hedu. Tichisvika pamusika ndakabva ndatooneka ndakuda kumhanyira kuenda
kumba kuti ndizovhura zviri mupaper bag ka apa ndaifara sei. Ndakapinza ruoko muhomwe
ndikabudisa mari handina kumbotarisa kuti imarii ndikapa mai vake. Ndikanopinda mumota
tikaenda. Takanosiya Angie kumba KwaMac tikadarikira tichisvika kumba. Ndakaburuka
ndakananga muroom mangu ndikadzoka ndichizomhorosa mom nemasisters angu.
Ndichingopedza ndakadzokera mumba mangu ndakunovhura pasuru ka. Nditarisa ndakaona
mune imwe paper bag yanga yakaputirwa. Futi ndikatarisa ndakatsudzunya ndikati chii
ndichinovhura so ah ndakamboti handisi kuona asi ahhh why achidaro so revai anoda ndiite sei
ah ndakatarisa futi ndikaona mune...

End of chapter...12

Love you all

*Game of love*❤�

Written by
*TSHIYIWE (Meme)GONDONGWE*
$
*B.S BRAGGNAVE. SIKAZ*
�084 617 3754
064 179 1014

Chapter 13

Revai �

Pandakangoisa chibox chiya musatchel ndakabuda mukitchen ndokunyepera mainini kuti


ndakuenda kunoverenga. Ndakasvika ndokuvhara door pfungwa dzese dzekuti zvikwambo
dzakabva dzatiza. Chero dai chaizoshanduka kuita vana Thula taingorohwa tese namainini
handiti vakabva vakachibatawo chibox ichocho. Ndakavhura box riya wanike mune zinhu
resilver raipenya. Chandakaziva imomo icharger chete nezvimwe zvitambo zvandaimboona
maA'level vakazvibairira munzeve. Ndakamboti ifoni asi moyo wangu wakaramba kucalculator
handina kumbomanyisa pfungwa ikoko. Iya yaBradley yainge muromo wegejo yaisasvika.
Kkkkkk ndakamboti ndiyo laptop yacho asi moyo wakaramba kulaptop chinhu chacho chaive
chidiki. Laptop ndaiiziva vana vechikoro sana Angela vaibva kwakakwirira taivaona vanadzo.
Chakanyanyondisvota pachinhu ichi kuve silver kwacho. Taingonzwa kuti masatanist zvinhu
zvegold kudii dii nesilver. Imwe pfungwa yakandishanyira ndeyekuti mukomana uyu anondipa
chinhu chakanaka kudai kuitira kuti agogara achindibata zvaaida kuita paya. Eeezve
aitozondibata futi chero hangu ndange ndamuti handichadi asi ndaingoziva kuti achadzoka
ndigomupamha futi kuti ee hangu ee. Bradley vakomana aishereketa saka paya aive andipa
nyengi fee ye $200 now auya nediwe fee yezunhu irori zvakaoma.

Monday ndakaenda kuchikoro hangu. Ndakatokurumidza zvekuti ndakagara 30mins tisati taenda
paassembly. Vanhu vakandiunganira vachida kundirova matsvana esatchel. Angela akabva
asvika akati "angorova Revai arikuzoenda kupunishment". Ndakazvitarisa ndikati ini kurwirwa
naAngela umm Mwari maita henyu. Akazondidhonza ndokuenda neni paside akandigrabber
nemuhuro akati "Revai do you know kuti wakanaka iwewe zvekuti pachikoro pano pese kubva
kuvasikana kuenda kuna mam hapana anoti pwee". Ndakangomuti aaa sister handizvizivi ko
kunaka kune basa rei? "Kune basa mainini vangu . Komakaitei bamunini vangu vasikana
musadaro akauya achinzwisa tsitsi anenge akatombochema. Musashaine nekudiwa veduwee
handisi kuti zvausingadi unomutendera but unongotaurawo zvakanaka. Retso bamunini vangu
varikuda mhinduro and vakati havachazvipamhi varegererewo". Ndakanyara chero kupikisa
ndakatadza ini Angela ndaingomupa respect hamheno kuti why. Ndakazogutsurira musoro
wangu ndikanzwa Angela andimbundira zvandakaitwa zviye naBradley. Ndakaramba
ndakangomira ndikanzwa akuti "ndokuonai mainini pabreak nepalunch I'm happy now ndave
nekamunin'ina kangu. Kana pane zvaunoda kubvunza younger unongouya kuna sisi feel free ".
Ndakamutarisa Angela achibva pandiri ndikati yes ndave well protected pano paWadzanai
hausundi ukasunda unowisa mai vako.

Angela ndakatanga kutomujaira hangu zvishoma nezvishoma. Ndaive ndakungoda kugara pedyo
naye achingondiudza nyaya dzana Bradley. Zita raBradley raindinyerekedza ndikanzwa
richitaurwa ndaibva ndamufunga hangu. Angela aindifarira waingonzwa oti "hie nines ndanzi
ndikumhoresei nababamukuru venyu. Mainini hanzi oyi $5 iyi nabamukuru venyu".
Ndaizomubhowa pakuramba mari vaibva vatsamwa maiguru vangu. Kugeza ndaive ndozama
chose apa uniform ndakazenge ndave netsva mbiri futi.

Chitatu ndichibva kuchikoro ndakaona Manu akamira mberi kwangu neumwe mukomana
waaidzidza naye. Ndichisvika pavari handina kumbovamhoresa Manu ndaive ndakatomumaka
kubva musi uya waainditi nguruve. Ndakazonzwa vese vaakuti "hie Retso uricei " ndakangoti
boo ndokutodaimrika. Mukomana uya akasvika akati "Revai ndonzi Ayanda Moyo i think
unondiziva ndodz..." Ndakamugama ndikati i know kuti unodzidza paWadzanai but information
iyoyo haina basa for now. Une makore mangani. Baba naamai vako vanonzi vanani uye uri
male here or female. Sabhuku, ishe church yaunopinda neprovince. Akaratidza kushamisika
nemibvunzo yangu akati Revai urikuda kundiita bharanzi here iwewe zvese izvozvo ndezvei
apa?" Ndakamuti hooo ini ndini bharanzi ko iwe unouya kuzondinyangadza uchindiudza zita
rako do i look like vanhu vaye vemobile vanofamba vachitoresa vanhu mabirthcertificate
nezvitupa. "Revai waakundituka wanzwa"akadaro Ayanda akuda kutsamwa. Ndakamuti iwe
watondirerutsa dai wandituka better because kutukwa its something chiri common. Iwe ungauye
uchinditeerera kuita sekuti ndiri imbwa yapfumvura nxaa Revai, Revai kudii ibva apa
unongomisa tukumbo sechijaya cheshuro. Ayanda akamira pamumvuri akati "Revai
wavekufarisa kungoti ndokuda hangu chete pasina izvozvo ndaikukanganwa". Kuda ani ini
ndozvawatumwa neshamwari yako iyo inoita basa rekukama Saru mukaka wake ,asi akanganwa
kukuudza kuti ndiri nguruve ibva apa unongomisa kuonda kuita serudzi rwemhazhu inoti
mukadzi akakora baba vatete. Ayanda akatendeuka akaenda chaiko akasvotwa ndikati ava vanhu
ndevekuparadza chete. Vaindiona nguva yese iyi ndiri ndega nhasi kwauya Bradley vakuti nanga
nanga neni. Ndakatozoimba Sara iwe kaMacheso ndichienda kumba apa ndaifara kuti mangwana
taizorora kudzidza tiri kumasports.

Ndichisvika kumba ndakatora nugget yangu ndokuzorera paweignbreinner yangu yandaive


ndatengerwa namainini vangu. Imwe uniform itsva yaivemo mumba nepair yemasocks ewhite.
Kuseni kwethursday ndakagadzirira kuenda kuchikoro mainini vakandipa $4 yekunotengawo
zvandinoda. Ndaive ndiri smart zvekuti Angela akafara. Akazondiudza kuti Bradley arikuuya but
matauriro aakaita akambondivhiringa hanzi "ninez daddy varikuuya nhasi and tichafara.
Ndapiwa $20 iyi nababamukuru venyu vati daddy Mac vati mushandise". Ndakamboiramba asi
Angela akaitsveta pamakumbo pangu ndokufamba achienda. Paakaona ndakotama ndakuinhonga
akadzoka pandiri ndokuti "kwete manyawi amanga moita mainini so todii because bamukuru
venyu varikuuyawo vanoda kukuonai". Ndakazotorerwa zvimafuta futa ndikapodewa naAngela.
Akabudisa kamwe kabhotoro so kaaiti akakadzvanya kaibuda zvimvura zvinonhuhwirira.
Pandakanzwa kunhuhwira kwacho ndakangoti iyi inenge perfume iyi. Takazoenda hedu paive
nevamwe tikanotandara. Ndakazonzwa Angela oti tanzi tiuye kumashops daddy Bradley vauya.
Ndakaramba ini ndikati endai moga sister. Achingoti pote ndakatiza ndikaenda kumba.
Ndakanozviona kuti handina makey ndasvika pamba and paive pasina imwe option kunze
kwekutoenda kumashops kwaive namainini. Bradley ndaida hangu kumuona atleast dai
aingouya omira kure uko ndomuona saizvozvo. Umwe moyo wakatomborwadza kuti
ndichawana Daddy varehwa naAngela vatorwa vakaenda nanaSaru. Ndakasvika pamashops
mainini vakatozviziva kuti ndatiza. Ndakavati ndoda makey ekumamba. Vakati "urikubvepi
Revai zvaunenge urikutobva kumba hee. Mota yemukwasha wangu yadarika apa iwe watova
kuno uchabata pasi one day ini zii semunhu apfuura achimhoreswa". Vakaseka mainini vakati
"makey handikupi kanganwa hako chitondibetsera kutengesa". Bradley akazouya anaAngela
neuya mukomana waaifamba naye. Bamukuru vainzi vanouya handina kuvaona ini maybe vaive
kubasa. Takamhoresana tikataura nyaya hedu, pese pandaidaira rough Angela aitopindira .
Bradley akazondiperekedza kumba kwandaive ndatumwa apa ndaitonyara nedzimba dzaive
kwamainini vangu. Ndakatozoshandisa mukana iwoyo kumudzosera chinhu chake chiya
chesilver. This time taifamba zvakanaka haana kana kumboswedera pedyo neni. Taifamba
semavhiri engoro iye achingoropodza ini ndichingopindura ma1word angu ndakatarisa kuside.
Ndakashaya kuti ndomubvunza sei kuti vara rekuti daddy rinorevei nokuti Angela aingoti pese
paanotaura Mac "daddy Mac" kuna Bradley aingoita zvimwe chete izvozvo. Mupfungwa dzangu
ndaingoti pamwe zvine zvazvinoreva kufamily kwavo. Iye akatofara pandakamudaro but ini
ndakasara ndine madoubts ndikati ndozobvunza mainini vauya.

Tichisvika kumusika mama vakapiwa mari inoratidza kuti yaive yakawanda. Ini ndaive
ndatotarisa kuside kutya kunzi oo mari but iye haana kumbozviita hake. Vana Bradley vachingoti
pote ndakatanga kubvunza mainini kuti vara rekufona daddy rairevei. Mainini vangu vaiseka
kani shame vakati "Revai nemagonero aunoita chikoro handina kumboziva kuti wakapusa
kudaro". Vakazondirondedzera zvazvinoreva ndakanzwa kunyara ini kuti ndaive ndataura
naBradley vara iroro.

Friday takaenda kuchikoro iiii zvaive zvakaoma vana Saru vaivhaira vachingoropodza kudya
kwavakaita mari yaBradley. Ndakatsamwa zvisingaiti ndikatoti ndoda kunyora tsamba
ndozomupa paanouya. Ko ainetsa here ndaingomuudza kuti ukangotaura nanaSaru ini
handichadi. Angela akainzwa nyaya yanaSaru akauya akandirondedzera zvakaitika zvese. Aive
akutyira kuti daddy Bradley vaizorambwa futi. Mari yandaive ndapiwa naAngela $20 iya
yekwabamukuru ndakanoitengesa mapums angu 2 pairs pamashops. Ko ndakatoita musorozve
mangwana Saturday vaizondiguta. Bradley haana kumbenge ataure kuti anouya saka ndakangoti
ndaizokurumidza kudzokera kumba kunowacha.
Saturday takaenda kuchikoro as usual takudzoka ndakaona imwe mota yandaisaziva but
ndedziya dzataiti zvikamba asi iye zvino ndakuiziva inonzi BM. Musi uyu ndaive ndakachena
ndakapfeka skirt yejean yeblue netop yewhite nemapums eblue. Ko Bradley hembe aiva atenga
dzakawandazve kuita kuramwira. Machenero andaive ndakaita chero pataive kuchikoro
ndakaona kuti vanhu vazhinji vakabatikana. Sir vemaths vaive vongoti kudai dai Revai huya uti
wekerewo kuboard zvese zvese aaa ndakabhowekana ini plus vainditarisa zviya
zvekusanzvengesa meso avo. Ndichingosvika pamusika pamainini vangu ndakaona Angela
achibuda muchikamba chiya ndokuuya kwandaive. Akangoti "mama ndichamboenda
nemunin'ina wangu uyu". Akandidhonza ruoko ndokuenda neni kumota. Hana yangu
yakamborova asi ndakazogadzikana ndaona Bradley asimo. Maingove nemukomana aifamba
naBradley chete ndiye aitodriver. Takapinda mumota tikagara kumasure naAngela. Mota
yakarohwa yakananga kumine hapana aitaura neumwe asi Angela akazviona kuti ndaitya
akangondibata ruoko zviya zvekungoti it's okay. Takasvikoburuka hedu ndokubatwa ruoko
takananga mumba. Tichisvika pamusiwo ndakangonzwa umwe musikana aivemo namanager
vaye vekumine vachiti "waaal aaa this girl is beautiful ". Ndakanyara veduwee ndaive ndangoti
kwati kumusana kwaAngela. Misodzi ikati yotanga kuerera. Ndakasekwa veduwe apa Bradley
aive atotsamwa nekusekwa kwandaiitwa. Angela akazondibata ndokubuda neni panze
kunondinyaradza. Patakadzoka musikana uya naMac vakatanga kuti " unoda kunditoresa chitupa
here " uku vachifa nekuseka. The time handina kuzochema asi ndainyara apa ndakangotsikitsira
pasi. Angela akazopa introduction ndopandakazoziva kuti mukomana aifamba naBradley aive
driver wavo. Musikana uya wekundiseka aive hanzvadzi yanaBradley ainzi Benhilda. Manager
vaye vaive mukoma waBradley ndaizviziva hangu asi taive tisati tamboonana. Ben akazotanga
kubaya baya foni yake. Takanzwa akuti "Musikana waBradley akanaka mukamuona
munonakirwa. Aiwa regai hanzvadzi yangu achigara arikuno sure kune mhenya isingadi
kubvunzwa". Foni yaBen yaive paloud zvese zvaitaurwa naamai vake taizvinzwa vakati " …..

End of chapter 13

[1/13, 21:29] +263 78 589 3888: https://chat.whatsapp.com/7oehok6VGCnBPURWUOTCTe

*GAME OF LOVE*❤�

WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.....14
"Bradley why are you crying now. What is my son"My mom asked. But that time I was not able
to answer, coz i was in a bad feeling kuti apa handidiwi hangu. Ndakanzwa kuti pamoyo wangu
pane chinhu chakagara so. "Son tell me i can send guards to kill munhu akushungurudza kusvika
pakuchema. Tell me what is it". Ndakangonongedzera box and mom opened it, at that time
vakatomboseka vachiti so what is it about this phone son. Ndakatadza kana kubudisa izwi
ndakanyora massage paphone vakaverenga. "Ah nhai bradley zvaunenge usisatogoni kana
kutaura is it because of my daughter inlaw. Ah come on son., be a man. Ndakangoshinga
semurume. My sister Benhilda akauya wo muroom mangu akati am sorry Bradie this girl loves
you i can feel that. But its only kuti vasikana vekumusha ka vamwe vanenge vachitya vakomana
vekutown so i just wanna say be strong bro. Marcia kaingoseka ndichikaona hangu ndikangoti
nechemumoyo like father like daughter. Mom vakazotora phone iya vakati Ben aiise muroom
mavo. Ndakarwadziwa musi uyu ndikasvika kuudza mom kuti mhamha ndibatsireiwo musikana
wangu ndomuda. "Kkkkk, you are not serious Bradie. Ukuda ndinokunyengera musikana
sure." .... Ehe mom ndiri kuda hangu kuti muite anything that can makes Revai to change her
attitude pliz mom i beg you pliz. Mom vakapindura zvavo nekungo gutsurira musoro. Vakabva
vasimuka vakaenda kunorara muroom mavo ndikasara naBen tichitaura nyaya hedu
achindinyaradza but by that time ndakazoona kuti pfungwa dzemusikana dzakatosiyana nedze
mukomana. Why.because musikana ane 18 years anoroorwa akatochengeta imba yake than kuti
mukomana akaroora ane 18 years imba iyoyo haina kwainoenda. Ipapo ndakazvibvuma
ndakudzorwa naBen mwana wandakasiya ne2 years akandidzora kusvika ndadzikama. Ah
handina kuziva kuti chii chakazoitika ndakazopepuka kuma 5 morning ndakatorara naBen. Uku
mom vaitovhura door kuzotimutsa kuti tigadzirire kuenda kuchikoro. Ndakamuka ndikapinda mu
tub ndikageza asi ndainzwa kuti maziso angu akatozvimba nekuchema. "Bryn akauya
akatiendesa kuchikoro ini naBen since taingodzidza pa same school. Aka Marcia kainosiiwa
namom kuchikoro kwavo since ndoyaiva way yekubasa kwamom.
Tichisvika pachikoro ndakaona vanhu vachiuya kumota wena ndikati asi pane zvakaitika ndiri
kumba ah hameno. Ndakazodanwa ne mumwe muface wandaiwirirana naye ainzi Michael
Chiyangwa akanditsanangurira kuti Rebecca Shiri, uya wandaidanana naye akanga azorovana na
Valery vaya ma'am vekundivharira mustuff room mavo. hey ndakamubvunza nyaya yacho
akati ..ah zvirikunzi inyaya yako Bradie uchainzwa hako nhasi uchadanwa Ku Administration.
Ndakangoti vanopenga vese Ree na ma'am vese madofo vanorwira munhu asingavadi zvese.

Muclass munhu wese aingonditarisa ndikangoti nhasi pakaipa apa. I started tobecome anxious,
coz of the situation. Nguva diki diki ndakaona headboy achiuya kuzonditora takananga kuoffice
wena ndikaona yoo team yese ye Adminstration iriko apa Rebecca na maam vakagara wena.
Head vakangoti. "welcome Mr wilson. May you pliz have yourself a chair and be comfortable".
Ndakagara pachair ndikati nhasi ndoda kupedzera ava vanozviti vakadzidza neavo vanozviti
kumba kwavo kune mari yakawanda.apa ndaireva Rebecca naMaam..."ok mr Wilson do you
know this lady and that one ". Yes i know both of them..."have you ever dated these ladies". I
said not even one day... And the headmaster said its fine. Vakazoenderara mberi vondiudza kuti
nezuro usipo pakaita hondo pakati paMaam na Rebecca. Ndakaseka kuita kunge ndichafa.
Ndakazopindura ndikati uyu Rebecca at least takambodanana not this lady. Kureva maam. Asi
handina kuita utsinye sure we didnt fall inlove with each other namaam but kuti vaida kundibata
ndikaramba kubatwa sezvandakanga ndadzidziswa naRevai. Nyaya yakazotongwa ikapera vanhu
vakanzi chiendai asi ndakaona kuti Rebecca anehasha. Takabuda wena nguva dzekuenda kumba
dzakanga dzakwana sezvo yaiva friday. Ndchingobuda ndakaona Ben achitouya akatora
mabooks angu kwakunditakurira. Ah mwana wamai vangu ndakanga ndodanana naye chaiko.
Takazopinda mumota Rebecca akamira pamota yavo akanditarisa ndikanzwa Ben oti..."this lady
ka ane zvaarikuda kutaura kwamuri mukoma". Ndakangoti dont mind this bitch sisi ok.

Takasvika kumba wena ndikapinda mumba ndikananga kuroom kwangu Ben kwake.
Ndakazoona Ben akauya achimhanya,,,," mom is calling, she said hamusi kudaira phone why".
Ah ndakabva ndafunga kuti phone yaiva yasara mumota. Ndakamhanya ndakatora phone
ndikavafonera vakangoti huya naBen mutown. Ndakadana Bryn coz anga ari ku cottage kwake
akauya Bryn tikapinda town. Yet mom vanga vasina kutaura kuti why vatimhanyisa so.
Tichipinda mutown takanosangana namom pana first street. Ndakaburuka mumota naBen
tikaenda kwavaive mom. Mom vakasiya mota vai parker tikaenda. Ndaingotevera ka kuti mom
vafungei. Takanopinda muEdgars wena mom vanga vakabata foni maoko vaiti vakasvika pane
hembe dzakanaka voti baby take this one. takatenga ndikati maybe mom vafunga kungotengera
Ben hembe asi chakandinetsa manje kuti Ben aripo asi havasi kumubvunza wani. Ndakangoti ah
ndikoko. "Anopfeka size chii bhutsu muroora wangu..... Vakomana ndakavhunduka.
Me.......mom what are you doing. Ndezvani zvinhu zvese izvi mhamha.
Mom.....its none of your business son. Just tell me anopfeka size chii bhutsu.. Ndakangoti 5 mom
pakatengwa kani 3 pairs. Mom vakazoti handei pa til. pakaita bill re$300 dziri hembe nebhutsu
chete. Ndakafara iwe ndakaita kunge ndichafamba nezvigunwe. Pakuenda kumba kana kuenda
na Bryn ndakaramba. Ndakatozoenda namom Bryn akaenda ega.

Takasvika kumba dady vasvika kubva ku Vic falls. Ndakarohwa nehana kuti nhasi zvangu chii
chichaitika kana dady vakaona zvinhu izvi. Asi mom vaiva kumberi tichisvika vakadana Bryn
vakamupa zvinhu zviya vakati isa kumba kwako. Takazopinda mumba kwakumhorosana nadady.
Takagara hedu tichiona movie. Ndakazongosimuka ndakunorara after food. Morning ndakamuka
ndikati kuna dady ndikuda kuenda naBen kuShamva mukoma Mac vakati auye. Dady havana
kuzvipikisa asi vakati uende futi naTania mwana wamufundisi ndikati zvakanakai dady.
Takagadzirira wena mom vanga vatoenda kuna Bryn kare vatoisa zvinhu mumota yataizoenda
nayo. *B.M.W*.

Takananga kushamva zvese zvadady zvekunotora Tania takati maya hakuna izvozvo.
Yakarohwa mota kusvika kuMine kwamukoma Macdonald takasvika paden pakatengwa
madrinks mabeer zvese. Takafarirana mukoma Mac vakatambira Ben takafara zvisingabviri and
Angie waMac aivapo. Zvikanzi naMac ndakudanai pano guys ndikuda kuti tiite ka Part kadiki.
So i want you Bradie to go and collect your girl she's supposed to be here. Ahhh ipapo
ndakaramba ndikati maya hazviiti. Ini apa ndaitya kuzonyadziswa. Asi Mac akabva ati Bryn
enda naAngie munotsvaka mainini pamashops pamusika pavo mukavashaya itoudzai mai vavo
kuti ndini ndakutumai. Iii ndakashaya kwekunyarira asi panga pasina yekutamba. Mota
yakasimudzwa wena. Hapana kuita 10 mins yakanga yadzoka. Ndakaona zvandaisafungira ini ah
kuchena kwanga kwakaita Revai ka ndakanyara nemufaro. Ini kunyara nemufaro
ndakakubatanidza ipapo ndikati inonzi (happshy) achipinda vanhu vakatanga kuseka apa vaiseka
masasi ebabe ndakambobatikana asi ndakangoti its fine... Ndakazonyanyisa kubatikana Revai
akuchema. Asi Revai vaiva funny akachema paakanzi you look so beautiful. Akazotorwa
vakaenda panze naAngie vakanotaurirana ndakaona vakudzoka asisachemi. Ben ndiye
akazondipedza manje akabva afonera mom akutovaudza kuti aiwa regai bee asingabvi kuno.
Takagara tikafara chaiko ini ndakabva ndanogara paside pake Revai asi ndakaona kuti shasha
ndaisungira play pano kushaya kwekutizira asi pakaipa. Takafara nguva refu radio yakazoridzwa
zvikanzi naMac munhu wese ngatisimukei titambe hey. ndakaona kuti Revai aiswa pakona iii
vamwe vaitamba vakabatana ini ndikati ah Maya handimubati ndingarambwa futi.
Takazodzima Radio Ben ati ndoda kumbotaura wo. Takaterera tese kuna Ben. "Yes I wanna
thank you varoora vangu muri two and my two brother Mac and Bradie. I love you all guys and I
love you Bryn also because you are the part of our family. Ndatumwa namom kuvaroora vavo
Angie and Revai waBee. Vati ndikupei mumwe ne mumwe present yake. Ah ini ndakapererwa
ndikati madeals api akuitwa namom ne mwana wavo Ben. Akaenderera mberi akati ndapiwa
ma$50 enyu muri two. Ah Angie akatenda ini ndikatendera wangu ainyara ka saka panga
pakaipa. Ben akazoti,"right ini manje ndauya ne present yangu. Asi I think Angie haurwadziwi
nekuti iwe wagara unayo. Ah ndakashaya kuti mwana anorevei. Ben akasimudza hand bag yake
ndikaona yoo abudisa Apple IPad iya akati Mukoma Mac ndinoda mundisvitsire mainini venyu
ndakanzwa mbiri yavo yekuramba so ndoda kuti varambire imi tione ndinyare hangu. Ah ndakati
mwanasikana uyu akatooma. Revai akatambidzwa phone naMac akaombera akatambira hake.
Akaigadzika pasofa akapfugama akaombera akati maita basa henyu. Ben akati zvinonzi
maitabasa henyu Tete. Akazodzokorora hey zvandakanzwa ipapo ka ummm ndingakunyeperai
mukazoitirwawo tsika muchandiudza. Takapedza part yedu kuma5 takuitira kuti vana vevanhu
vataiva navo vawane mukana wekuenda kumba. Takasimuka vanhu tikambundirana tese. hepano
pakuzosvika pana Revai ini ndakuda kumumbundira hey ndakatya hangu ndakazongoita zvivindi
ndikamumbundira iye kana kundibata anga akangomira. Asi chokwadi cheast chaRevai chaibaya
wena ah kutaurirwa hunyimwa dai makazvinzwira mega. Ndichinomusiya so ndakaona kuti
shasha yasticker. Takabuda panze Ben akatora bag akati izvi zvinhu zvaMaiguru Ravie
zvatumirwa namom takaisa mumota yainodzosera Revai kumba kwavo.

Bryn naAngie vakanodzosera Revai ini ndakutotya kuti maybe pandamubata apa anyara
kundiramba nekuti takawanda so ndikaenda ikoko ndinganorambwa hangu. Takasara naMac
naBen. Nekanguva kadiki mota yakadzoka wena. Tikaonekana tikapinda mumota takudzokera
kumba. Ndaingoti mota ikafamba kana 5km ndopuruzira cheast changu kusvika tasvika kumba.
Ehe ka ndaingonzwa kubaiwa ka nemukaka, kkkkkkkk. Tichingosvika kumba ndakaona call new
number ndichingodaira ndakangonzi. Hello maswera sei Dady. Ndakashamisika ndikati asi
ndiTania or Revai ah zvakandinetsa ndikati kana ari Tania ndomutukisa. Ndakabvunza ndiyani.
Ndinii.............. Ahh asi apera mari regai ndimufonere.....

END OF CHAPTER.....14

Watch out for part 15

like our facebook page


B.s braggnave sikaz stories/books

Link below for whats app group.


[1/13, 21:38] +263 71 620 8889: *Game of love*❤�
Written by
*TSHIYIWE (Meme)GONDONGWE*
&
*B.S BRAGGNAVE. SIKAZ*

�084 617 3754


064 179 1014

Chapter 15

Revai �

Mai vaBradley vanenge vaida zvinhu veduwee hanzi "heee ufarise varoora vangu". Kkkk haya
zvakaoma sure iniwo Revai hangu wekumapfanya kutonzi muroora. Ndakaramba ndakangonyara
apa zvaive zvakapfekwa naAngela naiye Benhilda wacho umm ndakanyara ini. Tumashort tutiki
tiki twaingoti pfuu magaro apa vaigara vakavhura makumbo sevanhurume. Ini ndaisazvigona
ndaibwandira chaiko maybe inyaya yekuti ndaimboenda kuchikoro ndichimunyaira ndisina pant.
Ko kumusha mongoiziva game yacho unogona kungoita rimwe chete rekufambisa rekuti
uchitobva kurwendo unotochinjawo sehembe. Dzimwe nguva rinenge rakatoita vulangasa pakati
apa kuita sekuti pakatorwa zvichira zvedendere rembeva. Takazopiwa mari hanzi yakabva kuna
mai vaBradley ma $50. Ndakanyara kuiramba nokuti yakabva nemumaoko aivo vaingonzi
bamukuru. Zunhu riya resilver rakadzokwa naro ndakatozoziva kuti ifoni Benhilda atotaura.
Hembe dzimwe dzakauya dzaive mubepa rakanzi Edgars ndakamboda kuseka zita iri nekuti
paive neumwe mukomana aive neziso one watangoti dhondo asi zita rake chairo ainzi Edca.
Bradley ndakanzwa kumushora ini kuda kuonererwa nevanhu kuuya kuzogara pedyo neni, apa
aingotaura achinditarisa. Manager vaya vakazoti munhu wese ngaatambe heee apa
ndopandakapotsa ndachema futi. Benhilda akatouya pandiri ndokundidhonza ruoko kuti
ndisimuke veduwee ndakanyara. Kutamba kwacho ndaisagona ini kumba kwedu hatina
kumbobvira taita radio even inopinda mabattery 4 chaiyo. Yandakaona apa yaiita seichataura ,dai
vasina kutozoiridza ndaingobva pamba apa ndichishaya kuti ko chii chaive mumba umu. Chero
mumabhawa havaridzi radio dzakakura kudaro iyi inenge yaiva yahayiwa iyi hapana munhu ari
normal angapinda mushop kunotenga ziradio rakadaro. Bradley ndakangozviudza kuti
ndichamubata zvangu regai amboonererwa nehama dzake. Pakanzi bye taonana vana Mac
naAngela vakaita kunamatirana ummm ndakashaiwa kwekutarisa nekuti kuleft kwangu kwaive
neshumba yangu iyi Bradley ivo vaive kuright side. Ndakaona Benhilda ouya pandiri
ndokundigukuchira naAngela akauya akaita zvimwe chete izvozvo. Ndakazoona Bradley
ouyawo ndikati pamwe achangomira pedyo neni. Ndakanzwa andigukuchira futi apa
akandidhuma pamazamu angu zvekuti ndakatomanzwa kurwadza. Ndakamyatsonzwa
kumuvenga ndikati nechemumoyo vamwe vanhu vanocoper shame. Pakudzokera iye akasara
hake ndikaperekedzwa naBryn naAngela i was a bit relieved hangu Bradley asipo.

Mainini pavakauya kumba vakayemura hembe dzangu vakati dzaive dzakanaka. Dress rimwe
chete raive repurple ndiro rakangoita diki chete asi dzimwe dzese dzainyatsondiera ungati mai
Bradley vakanga vatenga ndiripo. Ndakazotarisa maprice iii ndakaoma mate mukanwa. Mai ava
ndivo vaive vakapa mwana chipo chekutambisa mari. Maivewo nekagaba kaya kaidzvanyiwa
naAngela kachibudisa perfume. Ndakatombokadzvanya ndichizvidira imba yese ikavharira.
Ndakazodziturika pamutariko hembe dzangu ndikatora plastic iya yaive yakanyorwa zita rakada
kufanana neraDhondo ndichida kuisa mabook angu then ndozomagadzika musatchel. Ndakaona
chipepa cheplastic chakadonha pasi. Ndakavhura wanei mune pack yemapant aive akanaka
zvekwamai nakai ari 5. Ndakati mwari wangu manzwa chichemo changu. Ndakazoona kuti
maive nezvimwe zvinhu zvaiita like zvipepa zvaive nestaff. Izvi ndakatadza kuzviziva handidi
kunyepa. Ndakangozviisawo pamabook angu ndamirira mainini vaive vaenda kukitchen kuti
vazoonawo. Vachipinda ndakavati mainini chii ichi pane kuti vapindure mubvunze
vakatondishagadawo nemubvunzo futi. "Revai waakutevera here iwe? Mama kutevera kupi ini
ndichibvunza kuti chii ichi asi ndakanganisa kubvunza. Mainini vakatoona kuti apa hapana
zvozivikanwa vakangoti uchaona basa razvo kana nguva yakwana and I'm sure ikakwana
uchandiudza.

Monday ndakaenda kuchikoro hangu apa ndainhuhwirira perfume iya yekwamai vaBradley.
Mainini vaive vauya nesipo yekugezesa yaive yakanzi protex nemafuta ecamphor aive mugaba
regreen. Musoro ndakanga ndaiswa umwe mushongaso wakasiya bvudzi rangu rasvibira.
Matarisirwo andaiitwa nevanhu kuchikoro ndakanyatsoona kuti ndanga ndakachinja. Pabreak
Angela akauya akandimhorosa tikataura hedu nyaya achindiudza kuti Mac aiti ndakanaka, ndine
structure heee ndikanyatsogezeswa nemari ndiri mutsvuku. Ndaingosekerera hangu sister
vangu ava vachitaura. Vakazobuditsa lunch box yaive netwunu twaive twakaita tukonye.
Ndakamboda kuramba but Angela aive akundizivisisa saka takazodya hedu tese. Zvinhu zvacho
zvainaka veduwee apa taiperekedza nemajuice aive akanzi 100%. Ndakaswera dumba rakazara
chaiko kuita sechindumure. Vanhu vaitoshaya kuti ini naAngela tawirirana kudaro zvaita sei.
Tichingopinda muclass ndakaona Edcar achiuya pandiri ndakamboda kuseka asi ndakazvidzora
ndikati anozoti pamwe ndirikuseka ziso rake. Akasvika akati ndaive ndanzi ndiuye nasir vemaths
kuoffice kwavo. Ndakaenda hangu kuoffice kwavo ndikawana vakagara pachair pavo
vakangotarisa kudoor. Vaive vachiri mwana mudiki havo zvekuti vaifanira kuve muzvi24 years
imomo. Vaingove vapedza term imwe chete pachikoro pedu. Ndakasvika ndikamira ndichida
kuti vanditi take a seat. Vakazondiudza kuti ndigare but vaive vakangoisa ziso ravo pandiri
vachiri tenderedza pamuviri wangu. Ndakazoti sir ndoda kuenda i think commerce yakutotanga.
Vakavhundukira ndokuti "promise me Revai zvandichakuudza hapana waunoudza ndezvedu tega
tiri 2". Ndakati sir nyaya yenyu ndatoitadza musati maitaura sorry tsvakai umwe. Ndakasimuka
ndikabuda hangu ndikavasiya vakangoyeva musiwo. Palunch ndakaona Angela akuuya akabata
machocolate biscuits 2 nemacan 2 efanta. Ndakamboda kumunzvenga but it was too late.
Akasvika achingondibvunza kuti sir vemaths vaidei kwandiri. Ndakatoshamisika ini kuti aive
azviona nguvai akatozoti "munin'ina be careful nemunhu uyu i know what he is up to akada
kumbozviita kwandiri ndikamuudza kuti ndokurevera kwahead. Next time akangodero
unongomuudza saizvozvo unenge watopedza naye". Ndakanzwa foni yake yakurira iye akatanga
kusekerera. Akaibaya akatanga kutaura "eee daddy Bradley kurisei.. yaaa aripano taurai naye.."
Ndakapiwa foni ndikaramba ndakangoibata ndichishaya kuti ndotikudii. Angela aive
ongondikwenya kuti daira kani. Akazoisa paloud ndokunzwa Bradley achiti "Hello babie wangu
urisei". Ndakashaya zvekutaura apa misodzi yanga yatoyangarara mumaziso. Angela akazotora
foni yake akataura naBradley ini ndaive ndatobva ndikanomira kure naye. Akazouya achindiudza
kuti Bradley aive worried foni ya ngu yaisaita. Angela akatozviona kuti munin'ina akadhibha
ndokutozondiudza kuti ndiuye nayo mangwana acho.

Vhiki yakapera ndichingonyepera Angela kuti mainini vangu vairamba kuti ndiuye nefoni
kuchikoro. Ivo vaitondibvunzawo kuti ndaimboshandisa here foni yangu nokuti hapana
pavakambondiona ndichiishandisa. Friday Benhilda akafona tikataura naye pafoni yaAngela
akazoti mai vake vaida kuzoti fonera nesaturday so ndaifanira kumupa number dzangu. Angela
akangomuudza kuti vapiwe naBradley.
Saturday ndakamboda kuramba kuenda kuchikoro asi mainini vakati "ndaifanira kuita shungu
nechikoro kwete zvandaive ndakuda kuita izvo. Ndakazogadzirira ndokuchena chena ndoenda.
This time vamwe vanhu vainotadza kudzidza for sure. Hapana mam vandakamboona
vakapfeka quality yandaive ndinayo. Chero mainini vakashaya remuromo vakangozoti
"mutambe muchiziva pekugumira". Ndakangozhinya ndokuvabhaibhisa ndikaenda. Saru
akangoti achindiona akarongedza twake ndokudzokera kumba. Ndakangoti muchafa neBp.
Ndakuenda kumba ndaive ndega hangu vamwe vaive vandisiya maybe vaitya fashion yandaive
ndakarova. Ndichisvika pagedhi sir vemaths vaive vakatotyora havo ipapo. Pavakafamba
vachiuya pandiri mota yana Bradley yakabva yangosvikawo. This time vaive nequantum ndizvo
zvakaita kuti ndisavazive vachiri kure. Mac ,Angela, Bradley naBryn vakaburuka muquantum
muya I'm sure Angela aive atovaudza zvaive zvambotika Monday yacho. Ini ndakangonomira
pedyo naAngela ndakutya nekuti hapana aimboseka face dzaive dzakasungwa. Pasati
pambotauriranwa kana word sir vakapotsera zvitsitsinho mugotsi vachitiza. Vanhu
vakachizonyatsoseka pavakanowira mufishpond handiti vaimhanya vachicheuka dai maive
musina mvura vaikuvara chaiko. Bradley aingozvishingisa hake kutaura but aive akatodhinhiwa.
Mac akazoti "timhoresei hedu mainini ndimi manga magarirwa nebhinya iri". Handina
kumbotaura zvakawanda ndakangovamhorosa ndichityora muzura. Vamwe vana vechikoro vaive
vangoyeva vachiona makanda emari aive akandikomba. Mac , Angela naBryn vakapinda
mumota ndokurova pasi vachitisiya tiri2 naBradley. Ummm ndaingoshaya pekupinda hangu kuti
ndihwande nekunyara. Bradley akazoti "Revai boora hosho range richidei". Ndakamuti enda
unomubvunza nhaiwe unoona sendine pfungwa dzake nemuromo ini. Ummm ndaiti ndagona
kupindura izvo ndaive ndachekera. Bradley akangofuratira ndokuenda asina chaataura mashoko
angu aive amubaya. Ndakasara ndakangomira paya paya ndakushaya kuti ko chii chakutora
nzvimbo. Ndakazobvapo ndokufamba ndakananga kumashops. Ndakangotora makey kuna
mainini ndokutofamba ndakuenda kumba. Ndiri mukati mendangariro ndakaona mota yegrey
yataiwanzoona Mac anayo ichimira paside pangu. Mac akangoti "get inside" achiedzesera
nemusoro. Ndakapinda muya to my surprise Mac aingove ega. Yakarohwa mota takananga
kumine uko kwatakawana vamwe baba vachiita kuchema sekacheche.

End of chapter 15
Love you all���
Like our Facebook page Meme books

WhatsApp links ��
Meme books 1 https://chat.whatsapp.com/C4GMb4xPebS5SaAShUADdC

Welcome to Meme books GRP 2 https://chat.whatsapp.com/H2Nhk27GAjO0WjKe0qhZka

Meme books 3 httpas://chat.whatsapp.com/GrqIhH8NEhQ20GrRqs1EF8

https://chat.whatsapp.com/K4b60VaV1nZ9gloYy0KV9f

Fb page go and like our fb pages


B.s braggnave book
&
Also : Meme books

*GAME OF LOVE*�❤

WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.... 16

#BRADLEY

Hello I missed your call and its new a number! By the way who is this. Ah Tania pliz I beg you
in the name of Jesus Christ leave me alone pliz. Hona am not your age pliz. Ndokumbirawo
urege kundifonera pliz am not interested. Ndakakanda phone pasofa ndichingopedza kutaura
naye. ,,,,,'''ah what is she about nhai. Akatokwana hake Tania, kusanyara here chiiko kuda
kundiiita seiko. Ah asi anoziva here kuti kuda kwababa vangu hakusi kuda kwangu yoo ari
kutamba neni Tania. ndoda kumuratidza kuti ndiri mumwe munhu. Ndakazokaruka Ben
akutondiiti ukudiwa nadady mubedroom. Iiii ndakatya ka apa coz tanga tanzi tiende naTania
kuShamva. Ndakangoita zvivindi wena. Ndikapinda muroom madady ndikagara pasofa ririmo. "
uhhh Bradie do you know that am your father",,,, yes dady i know that. "Ok do you know that
ndinoziva zvakakunakira here". ,,,, hongu. Ndakapindura asi face yangu yanga yakutochinja.
Why all this dady pane zvandaita here... " yes young man you showed kuti haunditereri.
Ndakakuti endai naTania for a walk, asi wangoti mudhara dzaku reverser manje. Manje kana
usingadi zvandoda wobva pano wonogara kuShamva nemukoma wako or else kumba
kwemusikana wako nekuti kumwana wangu bodo. You get it". Ok thanks dady ndinganogara
hangu kwana Revai nekuti Revai ndinomuda sezvandoita mhamha uyu Tania ndinomuvenga
sezvandakuda kuita imi... "Hell what". Ndakabatwa bhande rikabuditswa ndakarohwa zvekuti
handina chekutaura pasina mhamha vakagwadama vakadetemba ka. " munouraya mwana mhofu,
nhai mhofu yemukono, zienda nenhlaka, nhai mhuka inofa ichichema misodzi. Madii nhai baba.
Musadaro kani nyashanu. Ndimi zve varidzi veBhohera musadaro. Mwana ndewenyu mhofu".
Vakadetemba mai vangu kusvika ndaregedzwa asi kuchema ndakanga ndisisagoni hangu.
Ndakaregedzwa ndikawira pasi ndikatadza kufamba. Mai vangu vakachema ipapo. Kusvikira
ndaona mudhara apusa nekuti achibuda kunogara mudining aitopesana na Ben achichema nguva
yaakasimuka pasofa achidzoka akaonawo Marcia achichema. Marcia akazotaura mashoko
makuru zvekuti kana mudhara akapusa so."dady why kana asingadi haadi ka nhai ko
mukamuuraya. Manje mukoma Bee mukavadzinga pano ini ndoendawo". Pakarepo mudhara
akangovhura drawer akatora makey akabuda akaenda. Takasara imba yese angori mariro. Mom
vakazoti nhasi munovata muno mese takawararidzirwa pacarpet hedu tikavata. Kuma 10 husiku
ndakanzwa kuti gate ravhurwa ndikanzwa kuti mudhara auya. Ndakabva ndakafuga musoro
handina kuzonzwa kupinda kwavo. Kunze kwakaedza ndikamuka ndikamhorosa mom ndikabuda
ndichienda kutoilet. Ah ko Mudhara arara pasofa nhasi. Ndakangodarika dzakatofa nehope
ndikapinda mutoilet ndikabvako ndakananga kuroom kwangu kunovata hangu.

Time time takamuka tikagadzirira kuenda kuchurch. Takaenda kuchurch namudhara dzisina kana
kugeza ndakamboti ah chii chikuitika apo hapana kana kutaudzana wena. Tichisvika mudhara
akangotisiya achibva adzoka hake rumba akati kana mapedza mondiudza ndozokutorai.
Ndakangoti shasha kunyara uku. Ko iyo shamhu yaimbogona kutora Revai kubva mumoyo
mangu here ah kana. Ndirimo muchurch imomo ndaitonzwa achinditi Bread ndoseka hangu. Ah
mwana uya so zvakaoma hazvo. Asi zvinonaka zvinodhura. Hakuna chinhu chiri easy chinogara.
Ndakazvipa mashoko aya ndichizvishingisa pakurambwa kwese kwandaiitwa na Revai
pakutanga pese nekuoma kwakaita kudanana naRevai ah zvakaoma. Church yakazopera ndaneta
nekunamata ndichiti. Revie ari pamoyo wangu Mwari. Takabuda muchurch takuenda kumota
mom vakakwazisana namufundisi ini ndikati nhasi bodo mwana wenyu akandirovesa kudai kuita
sekunge ndichafa ah maya. Muchamhoreswa nasatan coz hunhu hwenyu hausi hwaMwari.
Ndakapopota mumoyo kunge ndichashoshoma voice kkkkkk ah zvakaoma unoseka kutambura
sekugarika shuwa. Ndakacheuka ndikaona mumwe musikana anonzi Rudo achiuya
achimhanya.,,,, " ndeip Bee". Takatarisana na Ben tikaseka. "Ndinonzi Benhildah uyu anonzi
Bradley. so ukati Bee unenge usati watanga kutaura wena". Akadaro Ben my sister
ndakangoasekera mumoyo. Ndakaona kuti Rudo anyara apa ndakaona achifutisa pahuro kunge
dafi wena akazongotaura zvaakanga afambira." Ndatumwa kwauri naTani..... Shhhhh handidi
kunzwa nezvaTania wanzwa. Mind your own fuckin business..." No bee mira", akadaro Ben."yes
Rudo hanzii naTania". Ok ndakabva ndaterera wo. Akabva avhura hand bag yake kwakubudisa
maglass akanaka wena. Kutaura chokwadi anga akanaka ndakamatambira ndikati hoo
ndozvaafunga izvi. You Rudo mudane auye pano. Rudo akadana Tania akauya naye. Hesi
musikana iwe. What is this for ndakabvunza Tania akasticker kunge ndamudzosera padesk
kuwork yeMaths pari paweekend. Hello what is this for? "Ahh i was just...... Just.. Trying to
make you happy Bee".,,,,, you tryed dear thank you so much. But unfortunately I don't......
'Pwaaaaaaa'. Fuck you. Ndakaona Tania naRudo vachibvapo vakapusa Tania achitanga kuchema
akananga kumota yavo.

Dady vakazouya kuzotitora after few minutes tikaenda kumba izvi Havana kuzviziva kuti
ndizvozvo zvandaita Tania wavo. Ehe vaiva wavo ini wangu ndiRevie ka Nhai ko zvakashata
here kuda munhu ukamuda danana naye zvee ini wangu wandakada ndikunetseka naye wani.
Ndakangoti mumoyo mangu ini handidi zvemahara ko handisi shiri ka ini kana honye. Takasvika
kumba hedu tikagara mudining tiri mhuri yedu tese. " Right we are all here now ndinoda
kukuudzai mese. Ndini baba vepano asingadi zvandinoda ngaabve pano". Vakadaro dady ini
ndakazviziva hangu kuti all these statement were against my wishes. Ndikati ini ndinobva hangu
dady kana musingadi kuti ndiitewo zvandinoda. Ndakura ini ndakutononyora next week. So next
year ndinenge ndava ku Upper level. Saka ndakura dady so i have to do zvandino......" Shut up
you dog ndichakuuraya pano". Hapana kundiuraya dady makatondiraya dady starting from my
future matouraya. So ndokumbirawo kutenderwa kuita zvandoda wo especially panyaya
yaRevai." Yes Mhofu siyai mwana kani chiiko hamuone kuti Tania mukuru kuna Bee". Hey
pakapedza mhamha kutaura maiwe vakaita kuvesa moto chaiwo. "Iwe asi ukufunga ndopenga
iwe nemwana wako muchabva pano chete". ...akavava mudhara nguva refu. Ndakasimuka ipapo
ndakunzwa kuti zviri kuitika pamba pedu ka ummmm family will be apart chete. Takazovata
tisina kana chatadya tese tangoguta nehasha.

Morning iri monday takangomuka takananga kuchikoro dady namom vakananga kubasa.
Kwavo........ Pfungwa dzakatanga kundibata ndiri kuchikoro so kuti saka uyu mudhara
akandidzinga pamba ndonogarepi kwaMac akatotaura kuti handidi kukuonako ahhh ma1.
Ndakafara pandakazongonzwa voice richiti Bre............ad..... Kkkkkkkk am not bread but bradie
kkkkk. "Hey Bradley ukutaura wega why". Ah ndakaita kuvhunduka ndichinzwa Tadiwa
achindizunguza. Asi ndakarwadziwa hangu kuti ah kwandanga ndava kwawandidzosera ka
ummmm kurefu. Ndakabva ndatanga kuverenga sezvo next week racho taiva neExam.
Lunch time takabuda ndikanogara hangu mugroud naMicheal uya wekundiudza zvekurovana
kwa maam Vale na Rebecca. Taitova busy kuverenga hedu. Ndakanzwa Micheal. " Bradie hona
Rebecca arikuuya pano". Ndakadaira ndakatarisa pabook.'mira uone zvandoda kumuita'
ndakatora pic raRevai raiva mubag mangu ndikariisa pamusoro pemabooks angu. " hie guys". ..."
Hie Rebecca" akadaro hake Micheal achidaira.... " asi Bradie ndatova muvengi wako here",, yes
swtie wamuvengi wangu. How could you fight namaam. And bad part of it unorovana namaam
pachikoro. Thats not good. Ndakamuudza ndichitoratidza kubatikana. "so unoda ndisekerere
chihure chako Bradie. Hee oh God what is this Balderdashes all about. Thats abomination
darling handiiti izvozvo". Kkkkkkkkkk do you think ungandiudza zvekuti inini ndiri hure iwewe
nxaaaa usandiitira dzungu Rebecca wanzwa. Getaway..... This is my girl anonzi Revai anogara
kushamva so pliz garira kure uko wanzwa. "Ok Mr wilson fine we shall see. Mwaaaaaaa good
day". Ah shit uyu munhu uyu ka akaoma sha kunditsvoda shuwa nxaaaaaa. Ndakadhiniwa wena
ndakabva ndasimuka hangu. Ndakadzokera kuclass naMicheal tikanogadzirira tikabva tapedza
hedu tikaenda kumba kuma4. Ndakasvika kumba naBen naBryn. Ndakanga ndichingofunga
zvandaitwa naRebecca. Mom vakazouya kuma6 vachifara wena ndikati ko mai ava nhasi
kwakanaka here. "Mom why murikufara so nhasi". Ben akabvunza mom havana kumupindura.
Vaingofara chete havana kana kudaira. Pava paya mom vakazotaura vakati "ndahwina *FORD
RANGER* neOk buy and win promotion so thats why am happy". Takazofara sei. ...saka mom
ikuuya rini mota yedu ndoda kuivhura mumapaper yakananga paShamva. "Kkkkkkkkk ah zvako
Bradie naRevai wako zvakutodarika zvandaiita nababa vako".,,,, dady vakazouya havo kuma8
vakasvika pamba ringori zhowe zhowe. " hey guys whats going on, iwe Bradley mota
yawandisendera ndeyaniko itsva yakadaro... " maswerasei Shava titange takukwazisai. Mota
ndeye mukadzi wenyu Masibanda".vakadaro mom vachisekerera ndakaona dhara richitadza
kunzwisisa."ahhh sure here asi watora mari yese mu account mako ukatenga latest *FORD
RANGER* iyoyo". "Ayewa dady ndakapinda mumakwikwi eOk buy and win promotion
ndokwanda hwina this brend new car. Mudhara akasimuka akatimbundira tese tikafara kusvika
kuma3 morning tichizovata hedu. Tuesday morning ndakamuka kuma11 hey ndakatozotadza
kuenda kuchikoro ndakaverenga hangu mabooks angu apa chaiva mupfungwa dzangu kuti revai
haasi kufona why.
Ndakabva ndafonera Angie kuti andiudzewo kuti chii chikuitika. Angie akati Revai arikuti
haagoni kuishandisa foni yacho plus kuti auye nayo kuchikoro mainini vake varikumurambidza.
Ndikati fine ndikuuya ikoko weekend.

End of chapter ....16


To be continued
*Chapter ....16B*

Love you all

https://chat.whatsapp.com/K4b60VaV1nZ9gloYy0KV9f

Like us on Facebook:

B.s .Braggnave sikaz stories


&
Also: Meme books

*GAME OF LOVE*❤�

WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.... 16B
*By public demand*

#BRADLEY

*FIVE DAYS LATER*


Weekend ndakananga kuShamva since mota yamom yaizouya Sunday ndakatadza kuenda nayo
ndakazongoenda neQuantum hangu coz ndiyo mota yandanga ndisati ndambofamba nayo.
Payakatengwa yakanogara naMac ikazodzoka paienda family yedu kuKariba. Ko Bryn anga ava
neskiri ka tichisvika kumba kwaMac takawirirana kuzoenda tese kunoona Revai. Takasvika paya
tikafara kani. Ko pese pataisangana isu taingofara zvisina muganhu. Ko muganhu taiwanepi isu
mari yacho isina limit. "Hesi dady Bradie & Bryn how are you". Akadaro Angie achindipa hug
nekunditsvoda padama. "Ah madam makadii henyu"Akadaro Bryn. Ah zvaBryn vakomana
kudiiko respect yenyu yakanyanya Bryn. Ndakadaro ndichinombundirana nabro Mac. " wassup
my lil bro how is it." Am ok bro but ah mudhara wako akandibika kani ummm. "hiiii chii mafana
wakanga waita sei hako" ah ndakatsanangura zvakaitika vanhu tikaseka. "Ah musikana uyu
akupinza munezvakawanda mafana yoo kurohwa musana kukuvara so shame sorry bamunini"
akadaro Mac achinzwira mwana wamai vake tsitsi. Ndakazoenderera mberi ndoti toenda tese
kunoona babe wangu nhasi hanty. "Ah why not bamunini tinoenda". Tikangoona kune mumwe
mukomana neyamakatambwa namudhara Wilson iyi nhasi ndinotsika nemota and anofa chete.
Handidi newe mufana wangu". Mac akadaro achitotidirira wine zvedu. Akazorondedzera nyaya
yaakaudzwa naAngie yasir vemaths. Apa gulez Angie vaito bika bika. Takatozodya hedu
kuma12, ko taida kubata 1 ka kuitira kubata Revai achibva kuchikoro. Takabuda paden na1
takananga kuWadzanai shops. Tichisvika mahwindi akambo shevedzera kuti Harare Harare
negomo iri varipo here vanodawo. Takanomira hedu pamusika pamai Musomi ko pamai vebabe
takanga tisingasviki kana tina Mac coz Mac aiti pana mai vebabe handidi kuti tivajairire.
"Mother makadii henyu". Mac akakwazisa mai Musomi vakadavira vachiuya pedyo."ah ndimi
henyu murisei nhasi ko makafamba sei svondo rapera handina kuzokuonai.". Ah takazongobva
kwamukoma kumine tichidzokera. So ko Revai aripi nhasi." Ah anofanira ari kuchikoro. Regai
ndibvunze mai vake. Nhai mai Revie koa aripi musikana atobva kuchikoro here." ...." Ahhhh
haasati. Makadiiko vanangu." Vakadanidzira mai VaRevai vakagara pamusika tikadaira.
Takabva tasimudza mota takananga neroad yekuchikoro.
Ah mira Bryn ndiani ane babe rangu uyo, ahhhh mira uone zvandoda kumuita. Takaona
kamuface kaya kakasunga ka tie wena ndakangoti ndekapi kanopfeka kunge kateacher kudai.
Tichisvika ndakaona kuti arikumanikidza kutaura nemunhu asingadi. "Mira Bryn" takabuda
mumota zvemufilm kamuface kaye pakakaona kuti umm ma1 kakamhanya zvinoshura.
Kumhanya kunge Bigman apindirwa akagara nekababe pabed. Takazomhorosana naRevai
kamuface katoenda nenyika. Ana Mac,Angie naBryn vakabva vatoponda mumota ndokuenda
havo. Ndakasara nebabe rangu zvangu ndichiti ndikatarisa kuchena kwaanga akaita so ummm
apo ndakaona mai vevana vangu ipapo. Ah ndakaona life kani ndakatarisa Revai.
Ndakazobvunza.... Ko iye bharanzi iyeyu ndiani. Hey ndakapiwa imwe answer yekuti ndakati
ahh apa handina kwandakananga nemunhu uyu. Ndakaramwa that ndikadzoka ndichinosvika
pamashops ndakafonera Bryn kuti auye kuzonditora. Ndakapinda mumota yakananga kumba
kwaMac ndaizvishingisa asi ndakarwadziwa ipapo kani. Ndichingopinda mumba ndakatanga
kuzarirwa nehasha. Mac akazviona akada kubvunza ipapo ndakangoona misodzi yorasika. Mac
akangoti ndakusiya unemisikana wako ndiye achataura kuti chii. Mac akandonhonga makeys
ndokubuda hapana kuita nguva ndakaona Revai achipinda naMac.

"Mainini tell me chii chaitika kumunun'una wangu". Revai haana kudaira ipapo. Angie akabva
auya padhuze naRevai akatanga kubvunza kuti chii chaitika. Ndakabva ndanzwa hasha
ndikatanga kutaura apa dzihwa was mixed nemisodzi. .... But why why why!!!! Revai why. You
dont understand how i feel. Ndinokuda Revai ok maybe hudiki or something gulez is here
zvausinganzwisise unodii kubvunza. Ndakakutengera phone kuti tiite tichitaura asi unonzi
urikurambidzwa namom ichokwadi here chero zvazvo uchirambidzwa. Ko mashoko anotsemura
maribs angu kunosvika paHeart unondidarirei ini anokuda pakati pevasikana vese vanozviti
vanemari. ini ndakashara iwe not kuti ndiri bofu asi kuti rudo rwacho ndirwo bofu. Why why
Revai. Ndakaona vanhu vese vatarisa pasi ndakasimuka ndikaenda panga pakagara Revai
pamberi pake. Nemabvi angu aya ndakapfugama pamberi pake. Revai pliz kana ndakakanganisa
undikanganwire chandinongoda pauri muchato kana wapedza chikoro hako. Ndinokumbirawo
undinzwirewo tsitsi. Ukuona musana wangu kuita maronda aya handirwari ini ndiwe Revai
ndine hondo namudhara anoda kundiuraya nekuda kwako hako. Usatombodaro hako nekuda
kwako Revai ndapinda zvakawanda. ,,,,,,,, Revai akabva atanga kuchema Angie akauyapo
akatimbundira tese achichema wo.

Takazoita 1 hour and so takanyarara pasina ari kutaura wena. Kuma 5 Mac akazoti Bradie tora
makey e *DISCOVERY* uperekedze mainini wega udzoke nemota yangu pano mozotorana
naBryn moenda henyu.
Takabuda naRevai ndikamuvhurira door akapinda mumota ndakasimudza mota ndakananga
kumba kwavo ndichinosvika padhuze nepamusika pamai vake ndakamisa mota ndikati ushandise
phone Revai pliz. Plus Revai ndakuenda ndokumbirawo kiss. Pliz dont say no!. Ndakaona kuti
munhu akundinzwira tsitsi. "Akati ini handina pano kiss yacho. No Revai hachisi chinhu
chinofamba. Ita soo ...........

END OF CHAPTER.....16B

LOVE U ALL

GOD BLESS

*AMEN*

Game of love�Written by TSHIYIWE (Meme)GONDONGWE


&
B.S BRAGGNAVE. SIKAZ
�084 617 3754
064 170 1014

Chapter 17
Revai �
Mumba mana Mac maive naAngela aive akangowisa face maybe airwadziwaka nadaddy vake
Bradley vaichema. Bryan aingobaya baya foni yake akatsikitsira. Mubvunzo wakauya kwandiri
uchibva kuna Mac hamheno kuti aifunga kuti Bradley asara akarohwa here nasir vaya. Maonero
angu iye aingoda yes kubva kwandiri votoenda kunosota munhu. Bradley aingondipa hake
mhosva asi hapana chandaive ndatadza ini. Ingandakanga ndangomuudza chokwadi sezvachiri
wani ko ndini ndaive nemuromo waSir vacho here ini. Ko kana dai ndakavapindurira ivo
vozobvunzwa votaura zvakasiyana nezvangu handiti vaizondiita murevi wenhema here.
Ndakazotanga kutya manje kuti ndicharohwa nhasi vakangoziva kuti ndini ndataura naye
Bradley kusvika azotanga kuchema kwacho. Angela akazviona kuti ndaitya akauya pandiri
akatanga kundibvunzawo asi ini ndakangopindura nemisodzi chete. Ndaitorwadziwa ndichifunga
kuti pamwe ndanyeperwa naBradley hangu. Ndakavhunduka Bradley akuchema zveshungu
achitadza kuzvicontroller. Ndakaramba ndakangotsikitsira ndakazotarisa musana wake uyo
waive wakakwatanuka ndikanzwa moyo wangu uchipisa chaizvo. Zvakandinetsa ini kuti vana
baba vanogara kuHarare kwataingonzwa nembiri yekuti kwakanaka vanotorovawo vana vavo.
Umwe moyo wakati pamwe Bradley airohwerwa mari yaaingokusha iyoyi. Manje ndaive nayo
tsamba yake yandaida kuchimuraira kuti azive muganhu wekutambisa nawo mari.
Ndakazochema veduwee zvekuti Angela aive akutibatsira maronda aBradley ekumusana aive
akanyanya plus aichema sechimwana chapedzerwa chikafu chichibva kuchikoro. Angela akauya
pataive naBradley akatibata tese achiti puruzira musana. Takagara pasi asi hapana aikwanisa
kutarisa umwe mumba umu. Chero Angela chaiye akatadza kunogara pamakumbo adaddy Mac
vake. Mwana aiyema iyeyu aida kuzviitisa kugara pamakumbo emumhurume. Mavanga
aBradley akarwadza vanhu vese saMac akangozvidzora semurume asi maziso aive atsvuka kuti
piriviri. Ndakazvituka nechemumoyo ndikatsidza kuti zvirinani ndinyarare kana ndisina
mashoko ekutaura. I'm sure vanhu vese vaingopishana nepfungwa sezvandaiita. Mac akazoti
ndiperekedzwe naBradley tiri2. Ini nguva yese iyi ndaingoti pamwe haagoni kudriver kwacho.
Takanosvika kumusika kwamainini pasina aitaura neumwe. Ini ndaingonetsana nenzara dzangu
uyuwo Bradley aingondicheka neziso chete hamheno zvaifungwa. Bradley akazondishamisa ini
aive atanga kuzungaira nhema
apa ndaive ndisina kana kubata chinhu mumaoko. Ndakangoti nechemumoyo kana ndokudira
rough wochema asi uriiwe unotanga. Nhai henyu munhu angati ndokumbirawo kiss anoti
kuHarare kwavo kunongowanikwa zvese zvese here. Ndakamuudza kuti handina hangu and
sechinhu chandaisaziva handina kumbozvinetsa nekumuratidza shop yaaizonotsvaka. Akazoti
iye ayichiziva chinhu chacho akaswedera pandiri ini ndokuramba ndakangotarisa kuside but
ndaizvinzwa kuti munhu ave pandiri chaipo. Ndakanzwa muromo wake wave pandiri,
ndakasimudza ruoko ndichida kumudira mbama asi ndakazvidzora. Iye akazviona akati "Revai
why uchiita seusingandidi iwe. Shaaa ndinofamba every Saturday kuuya kuno kuzokuona but
zvaunondiita so kuda une umwe hako. Ndiudze ndizive pane kutambisa nguva yangu".
Ndakabhowekana ini nematauriro aBradley. Ndakamuti nhaiwe paunouya kuno unenge
watumwa here kana kuti pamwe unenge wadanwa ndiudze chii chinenge chichiitika. Unoda
ndinyarare uchindiita zvinofamba zvichiitwa Saru munzira umu naManu. Bradley aive achinja
face akuda kutsamwa asi apa akachizofa nekuseka akati "babie nguva yese iyi i was thinking that
you were pretending but now ndabvuma panotoda kushingirira pauri nekuti ndozvauri and shaa
hapana chaunoziva. Chandingoda now kwauri kutenda kudzidziswa nekudzidzisika handiti". Aaa
kudzidzei futi nhaiwe ndakamubvunza hangu asi akangoti wait and see.

Ndakaenda kunotora makey pana mainini ndisina chandambotaura. Bradley akaramba akamira
pamota akangondiyeva. Ndakatanga kufamba nenzira yekuenda kumba, pandakati cheu
ndakaona Bradley achitaura namainini namai Musomi. Ndakawedzera speed ndichiti maybe
munhu zvaandisiya pamashops akudzokera hake. Bradley akasiya mota paive namainini
ndokutevera netsoka. Akandideedzera kuti ndimire asi ndakaramba ndakaomesa musoro.
Akazomhanya ndokusvika pandiri ndokuti "babie zvandanga ndichikusheedza hauna kuzvinzwa
here?" I'm Revai thats my name kwete zvanaBabie izvo ndakakuudza kuti handizvidi. Unodanwa
nemunhu nezvimazita iye achitoreva imbwa yekumba kwavo pauri plus iwe wanga uchida
kumirirwa wange usingandioni here. Bradley akandibata ruoko akati "Revai chero ukandituka
kana kuita sei asi usina kundiudza kuti hauchandidi handimbodzokeri kumasure". Ndakamuudza
kuti andiregedze but akaramba akati "ndoda kuona kuti unofa here ukabatwa neni. Zviripo
zvekungondiomesera nezvinhu zvisina basa". Ndakachema asi wekuchemera paive pasina
Bradley aive aipirwa veduwee. Regai kuchinzi rinonyenga rinohwarara. Zvandaitochema
zveruoko izvi zvaitove nani akachizonyatsondibata manje nemaoko ese. Maoko ake aive
akapinda nemuwaist umu achinosangana kumashure uku. Ndakaedza kudanidzira asi iye aitoti
uri kupedza nguva chero pakauya vanhu handikuregi. Best way itondipa kiss ndikuredze uende
hako kumba kwenyu. Ndakachema ndikapedzisira ndokumbira ruregerero apa ndakangobatwa.
Ndakada kupfugama kuti ndikumbire ruregerero zvine tsika asi iye akaramba
akangondisimudzira mudenga. Paaive akuunza muromo wake kwandiri foni yake yakabva yarira.
Tone yacho ndoyakandipedza raitove voice rake raiti "i love you my angel Revai" yakaita ka3
kese asingaibati maybe aida kuti ndinzwe zvaitaurwa. Akandiregedza muchiuno mangu
ndokundibata ruoko akaita like akarumonyorora achiitira kuti ndisawana simba rekupunyuka.
Zvairwadza zvekuti ndakawedzera kuchema kubva mukushinyira kuenda muHihihi chaimo.
Akangoti achibata foni akati "momz ndivo varikufona. Shaaa i know my mom wants to talk to
you please usandinyadzise taura navo usingachemi handiti ". Ndakati chance given kana uchida
nditaure navo wotanga wandiregedza. Akangoti unopenga iwe ndokutodaira foni yaamai vake.
Vakataurirana but zvairatidza sekuti paive nekakubhowa panyaya yaaiudzwa. Ini ndaingotya kuti
zvino mai vaBradley vakati vanoda kutaura neni ndaizotii. Nguva yese yaitaura Bradley pafoni
ndaisatomborwisa kubva hangu paruoko rwake. Paakangopedza kutaura ini ndakabva
ndatotangawo kurwisa. Ndakazonyara ndadonha ndikanosviko pfugama nemabvi. Bradley
akatoti "Revai uchakuvara nezvinhu zvisina basa shaa. Ndoruma here ini sei usingandijairi
iwewe. Ita steady pane zvandoda kukuudza chete. Okay babie handichakurumi sezvandanga
ndichida kukuita. Ndichakuregedza apa totaurirana zvakanaka ukangotiza nhasi ndokuita
zvausingadi ". Ndakamira paya Bradley ndokundiregedza asi aida zvekumira pedyo neni.
Akazoti "Revai mama vedu ndivo vafona ava shaa pakatoipa hanzi mudhara ati haachadi
kundiona ndichiuya kuno. Shaaa izvezvi ndonosvika ndichirohwa but promise me Revai kuti
haundisiye chero ndikatora nguva yakareba ndingauyi kuno". Ndakanzwa kusiririswa veduwee
Bradley aive akutsvukisa maziso. Takazofamba akanosvikomira kunze kwechivanze achiti
nditore foni andiratidze kuti inoshanda sei. Ndakanoitora ndikauya nayo achingobata bepa racho
Bradley akavhundutswa nebete rakabuda mubepa muya akakanda chibox chiya pasi
chichinorovera padombo. Akachinhonga pasi fast achinovhura kudai wanei screen yese yefoni
yatsemuka. Akangotora line raive mufoni yaaive aputsa ndokuisa mune yake. Akaibaya baya
achindiratidza mashandisiro ndokunditambidza. Bradley aive atopusa pese paaiita zvefoni
ndofunga aitogaya kuti kumba kuchange kwakamira sei. Akazondiudza zvese zvairongwa
nababa vake hapana chaakasiya kutaura. Ndakazvituka futi kuti shuwa ndaishungurudza munhu
aindida iniwo zvangu chikava jecha chekuShamva achisiya musikana wekuHarare. Bradley
akazodzokera hake achindisiya ndichitopinda pachivanze. Tsamba iya ndakatorega kumupa
handiti aive ati haachauyi kuno saka vana Saru vaizoidyirepi mari yake.

Manheru ndakarara ndichivhumuka zvese zvaiva zvaitika masikati. Mainini vakandimutsa vakati
chii chaitika sezvo ndaingodana zita raBradley ndichichema. Ndakaona kuti hapana
chekuhwanda ndabatwa ndakavarondedzera zvese vakaseka havo. Ini ndaitoti vachandituka
maybe vakafarira kuti zvandaiitwa naBradley ndaisazvida.

Vhiki yakapera tichienda kuchikoro zvakanaka. Nasisi vangu ngoma yaingova iyoyo
ndichingoudzwa kuti munin'ina unodiwa. Bradley haana kumbondifonera kana zuva rimwe
pafoni yaaive andipa asi yaitove on chero moto yaiva nayo. Mainini vakangonditi
ndaizoishandisa manheru chete. Pese payaipera moto vaienda nayo kumashops kuno icharger.
Ndakagara ndaudz a mainini kuti Saturday ndaida kuenda kunoona mama kumba. Vakamboda
kundirambidza asi ndakavaudza kuti ndaive ndaanenguva yakareba saka ndaitovafungawo.

Saturday ndakabva pamba namainini ivo vachienda kumusika kwavo. Ndakashamisika


ndichisvika pamashops mainini vakanditengera grocery svinu imi vakawedzera ne $50 pamusoro.
Vakazotenga matennis amama vangu size 7 vakandipa. Ndakatakura mikwende yangu apa
ndaive ndakachenera svoto. Ndakapfeka skirt yangu yewhite yaingoti darikei mabvi zvishoma
neblouse rered. Mutsoka ndakakiya tumasandals twered twaimatcher neblouse. Ndakasvika
kumba vana mama vakuda kuenda kuchechi. Vana mainini vaingomonya miromo ndofunga jeno
randaive ndakakiya ndoravakabata bata. Mainini vaitevera amai vangu pamurume vakazoti
"vana Revai kuchiri kuchikoro here uku kana kuti makutotevedza mabhawa". Ndakavatarisa
ndikaswedera kwavaiva ndikati mainini muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo. Kana
maingopinda mubhawa saka moda kundirambidza kuti makasiya mavharisa here bhawa racho.
Vakashaya zvekupindura vakangoramba vakaudzvura meso semunhu adzipwa. Takazoenda
kuchechi namama nemunin'ina wangu. Vana sisi vangu vaiveko ndakanzwa moyo wangu kupisa
ndichivaona vachiita sezvichembere. Ndakavapa $50 iya yekwamai vaBradley ndikati vagovane
vagotenga sipo. Nyaya dzacho dzaingotaurwa dzisina kana direction vaingodemba kuti migomo
haisi kutengwa uye vana bamukuru vaishaya macustomer ekupisirira mapoto. Vaitodemba kuti
poto dzevanhu dziite maburi vagopisira. Takapinda chechi vanhu vese vachingonditarisa ndikati
hamusati maona isu vamwe takanyukura paH town apo. Ndakazopedzwa simba pachechi
pasumuka varume kana kuti harahwa shanu dzichiti dzaratidzwa kuti ini ndofanira kuita mukadzi
vavo. Ndakasumuka ndikabvapo ndiri speed. Baba vakaratidza kutsamwa asi ini ndakati handina
basa nazvo. Ndakati ndichisvika kumba ndakaona mota yandakaziva yakamira nechekure uko.
Ndichakamira kudaro mama vakabva vasvika pandaive. Ndakatofunga kuti maybe vanzi
vanditevere vakasvika pandiri vakati "ko Revai wapindirei muchechi iwe uchiziva kuti
wakasviba". Ndakati mama kusviba mokuziva imi ndiyani ange akachena seni pachechi paya.
Vakangondibata skirt ndokuitenderedza ndakakanuka tikaizarura mhere zvekuti vanhu vaive
kumota vakamhanya vachiuya. Vakashaya kuti ko ndaita sei. Paive naMac, Angela, Bryan
naBradley. Mama vakada kundidhonzera mumba asi ndakaramba team richisvika amai vaive
vatopererwa nemachemero andaiita. Vakabvunza kuti chii chaitora nzvimbo ini
ndakangomhanya kuvaratidza skirt yangu. Mac naBradley naBryn vaiziva zvazvaireva
vakafamba vachidzokera kumota ndokundisiya ndakambundirwa naAngela uyo aingoti "its
okay". Takazopinda mumba Angela akazviintroducer kuna mama akangoti aiva friend yangu
chete. Ndakachizorairwa manje ndikaudzwa kuti hazviratidzwe vanhurume zvairatidza kuti
ndakura. Ndakanyara ndikaramba kuenda kumota kwaive nanaBradley. Angela akazongovimbisa
kuti vaizouya mangwana kuzonditora akabva atoenda. Mangwana acho akazouya Bradley ega
asi haana kusvika kudhuze nekumba. Ndakasangana naye munzira ndakudzokera ndaive
ndabhowekana nababa vaiti ndisarudze murume pa5 vaive varatidzwa kuti ndiite mukadzi wavo.
Ndakavaudza kuti why mweya wacho watsvaka varume hobho wadii kundiratidza one.
Takatonetsana vakatomboda kundirova asi ndakavaudza kuti ndokusungisai. Mapurisa vaimatya
baba vangu ndakangoona vongobwaira tuziso tutebvu wupepe tuchidairira. Ndichisvika pana
Bradley ndakanyara nekuti iye akabva atotanga kundiseka.

End of chapter 17
Love you all ��

Like our Facebook page Meme books

WhatsApp links
Meme books https://chat.whatsapp.com/C4GMb4xPebS5SaAShUADdC

Welcome to Meme books GRP 2 https://chat.whatsapp.com/H2Nhk27GAjO0WjKe0qhZka


Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/7oehok6VGCnBPURWUOTCTe
Meme books 3 httpas://chat.whatsapp.com/GrqIhH8NEhQ20GrRqs1EF8

*GAME OF LOVE*❤
WRITTEN BY

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

(Chapter......18

BRADDLEY ��

Ah ok babe ndazviona kuti hauna chaunoziva. Its fine babe hande ndikuda kumboona mai
Musomi... Ndichingobuda akabva afambisa Revai achibva mumota achingosvika pamusika
akadarikira wena ndakazosara ndosvika paiva namai vake Revai atoenda ndikati bodo zvee iwe
ndakatevera takatanga kufamba tese. Aida hake kuita yake yekupfichuka kunge kadhongi kari
pachigayo. Ndakati naMai vangu Loveness ndinokubhosha nhasi handimbokuregi. Apa
ndakanga ndatoona kuti ini ndini ndiri kufira mukati sesox nhasi ndoda kukuratidza kuti ndine
kamwe kahunhu kakarurama senyuchi iri mumaruva. Ndakanomuti dzviii nechemuchiuno umu
ndikati nhasi chero zamu rako richibaya ringatobudira kumusana kwangu. Ndakamutsimbidzira
padundundu rangu vamwe munoti pachipfuva ka ehe ndipo pandakamutsikirira ahhhh akamboda
kuridza mhere ndakati maiwe kana varivanhu ndivo vandotoda kuti vazive kuti uri wangu and
zvachose ndichamira newe iwe. Ndakaona munhu akufemera padenga sendere ndikati yes
zvakurwadzaka. Yendere iyi ndaive ndatukwa nayo namudhara Wilson musi waakandirova.
Pandaive ndakabata Revai pane zvandakaona hangu anga akundinzwira tsitsi. Ndakabata munhu
wangu, ah zvinobhowa kwakufonerwa wena ndakutoudzwa kuti dady vati ndolast day rangu
kutsika Shamva. Ndakazobva ipapo ndatopera power. Ndakazoenda pamba pavo ndakasara
kuroad iye akanotora foni kuti ndimudzidzise asi zvakaoma makabuda bete kani ko ndairizivirepi
ndakavhunduka phone ndiye pasi gwendere. Kudai yakatsemuka wena. Ndakangoti manje kana
uriiwo munamato wadady iwowo nhasi vanamata zvisingabudi ndakangotora yangu Iphone 4
ndikamupa. Ndikaisa line rangu muhomwe ndiye kumba. Ndakanosvika kumba kwaMac
ndikamuratidza phone iya akashamisika. " chii chaitika nhai Bee ko asi mainini vakadonhedza
phone." ... No man ndini ndaidonhedza hey ndatozosiya yangu ikoko.. "Ok mafana enda muroom
mangu unotarisa muWadrobe pakati pema suite aye akabva Uk pane phone 2 dziripo utore 1
umboshandisa ah twumbudzi zvatwo asi dzinoshanda... Ndakanotarisa. .... Ahhh and Mac
anopenga angati twumbudzi iyi *H.T.C desire* ne *Samsung S4* ah asi zvingangodaro coz
mukoma wangu anemari dzake. Ndoda kuzviitawo izvi ndikapedza chikoro. Ndichashanda
kunge blaz wangu ndoita twunhu twangu." Ahhh Bee uchiri Kutora phone here amana kana
kuti watovata hako".,,,, Maya ummm sha hauite ko ndakamboona kuti mu wardrobe ma Mac
mune ma suit akadaro... Apa ndaitodzoka hangu mudining ndakabata *H. T. C* yangu.
Ndakazoona kuti nguva dzafamba ndikati ah maiguru Angie takuenda isu Bryn let's go.
Takabuda tikatora Quantum yedo tikarova pasi takananga kuharare kumba. Hana yangu
yairova kani ndichiti ndikafunga kuti this is my last day kuona Revai because Dady vadaro
ndaitsamwa asi ndikazofunga kuti ah Revai handimusiye ini ndisiye Revai mumwe munhu
azotanga kutungwa nenyanga dzake dziya. Ah kana ipapo hana yangu yaibva yarova kani. Mom
vakazofona tasvika paChisipiti. Ndakati takutosvika kumba now now. Ndakangosvika dady
vachisvikawo ndikadanwa iwe. Ndakanogara pasofa ndichitambisa phone yangu ndaitoda
kuchinja hangu whats app yaivamo kuti ndishandise yangu number . "Bradie ndakatii nekuenda
naTania kuShamva last week. Wakafunga kuti kusakubvunza ndakapusa hanty. Now my word is
hapachina trip to Shamva any more as long as am alive hapachina kuendako." ... Dady maswera
sei. Nhai dady mukuda kuti ndikaroora Tania muzoita muchidanana naye here... Ndakabvunza
izvi ndatsamwa ndikati nhasi ngaandiuraye uyu mudhara haadi kunyarika. Ndakatanga kupopota
mom vakatsigira at the same time Benhildah aivava ari uko. Mudhara akambojamuka
akazvibvisa mapapipiro sehwiza. Akanotora pfuti akandinongedza nayo. " whatever zvandinoda
ndoda muone kuti ndinozviita pamhuri yangu if all of you, you are against me. I wanna kill you
today and i will start my new life." ..... "Its fine my husband if you want to kill Bradley kill me
first." Mom vakadaro vachimira pamberi pangu."kill me first before you kill my child nekuda
kwekumumanikidza zvaasingadi". .... Ndakatanga kuchema ndichizvibvunza mumoyo mangu
kuti uyu mukuru uyu ndiye baba vangu here kana kuti handina baba...." Dady i cant leave
without mom and Bradley kana muchida kuuraya mom na Bee kill me first.... Benhildah akadaro
achipinda pakati. Ndakaona Marcia akuchema zvisingadzoreke. Apa ndakatoti nhasi zvaiwana
ngwarati kudya ivete. Ndakaona mudha akudzikisa ruoko pasi mushure mekunge aona kuti
hapana arikumutsigira

Takangovata takasuwa hedu pasisina mufaro ko taifara sei pamba pakanga papinda muvengi
against my wishes. Ndakarara usiku hwese ndichitsvaka number ya Revai ndikaishaya.
Ndakazozvifunga kuti ndakanga ndakaisiya mufoni yandainge ndamupa. Ndakapedza mazuva
maviri ndichienda kuchikoro nemalifts ndisingadi kuenda nemota nekuti ndanga ndavenga Dady
nekuda kukatanura Moyo wangu kubva pandakange ndausungirira vachida kunoukwachika pana
Tania. Kuchikorowo Rebecca aiti akandiona aingondipa ziso. Ndikati dai raiuraya ndingadai
ndakafa zvino harina zvarinondiita.
Wednesday mom vakanotora mota yavo iya yavakange vahwina pa Ok Grand challenge. Ndakati
zvangu zvaita manje ndakushandisa yamom. Ndakabva kuchikoro ndikasvika pamba ndikaona
hooo mota yatovapo wena ndikati ndakutozoita zvinobhowa dhara manje. Ndanga ndakuti
Mudhara akauya ini ndobuda ndonogara mumota yamom. Ndakaona kuti Mudhara akusvotwa.
Ndikati hanya nani muchandida henyu nekuti imi ndimi Mudhara wangu zvese izvi zvaiva Moyo
mangu. Thursday manheru ndanga ndakaita kugara pasofa ndakabata picture ra Revai
zvechifinhu chaizvo. Mudhara aisa beta neni wena. Marcia akangouya akati tione mukoma .
ndichingomupa akatanga kuratidza vanhu vese mumba. Ndakasimuka ndichida kunomutorera
ndakaona achimhanya naro achiti " noo Bee I didn't show dady",,,, akadaro Marcia achitiza nepic
riya akananga naro kuna Dady. Achingotambidza Mudhara so yooo. Rakabvarurwa ndikanzwa
hasha zvekuti ndaida kurova Marcia... Asi ndakazvidzora hangu ndikati maya. Ndakabva
natongoti ahh zvipiko mabvarura pic not Revai ah and Revai haumumubati Mudhara
anosasamura big time. Ndichangoti Garei ndakanzwa foni yamudhara ichi ringer."hello who is
this. Ohh ok how are you boss.ok for how long. Ah its fine. Ok tomorrow ah fine." ....ndakangoti
ndiyani anonzi naboss ava boss iyeye "Loveness prepare for me sha ah zvekubasa zvinobhowa
ndirikunzi mangwana ndiri kuenda kuSudan for 3weeks ndiri ikoko." Ndakangoti yesssss
nechemumoyo. Ndakuzoenda kuShamva kuya kusvika zvanaka. Ngazviende ikoko ku Sudan
kune hondo dai zvikangopfurwa zvife. Ndakasvika paakushuwira Mudhara wangu rufu chairwo
nekuda kwerudo rwandaiva narwo nemusikana wangu revai. Ndakabva ndananga kunorara
hangu yet mangwana friday tikuenda kuchikoro .. Ndakamuka kuseni kuma 5 ndikatotanga
kugeza ndichitogadzirira kuenda kuchikoro. Zuva rakazosara rokwira ana Benhilda vakazomuka
ndakuda kutonwa tea hangu. Ndichipedza ndakada kunobuda panze kuti ndishewedze uyu Bryn
atiendese kuchikoro. Ndakasangana nadady vakati ndakuenda ndikangonzwa kuti waenda
kuShamva ma1. Ndakangoti horaiti dady. Ini ndaiziva hangu kuti anopenga mukuru uyu.

Zvisinei ndakadzoka kubva kuchikoro manheru kwakutosviba nekuti ndakanga ndaenda


nekumba kwana Micheal hangu. Ndakatosiya Ben achiuya naBryn ini ndikapinda mumota yana
Micheal. Ndichisvika kumba ndakaridza house mix ndichida kumbonakirwa hangu. Ndichifarira
kuti katsi haipo ini gonzo muswe wakutoreba zve. Mom vakazosvika ndichiita kunonzi kufara
kuya. Takazoronga ipapo namom kuti ndofanira kuenda kushamva ndonorara kwaMac since
mom vaida kundiitira chese chinongoita ndifara vanga vasina kuomera. Kana maKeys eFORD
RANGER ndini ndaigara nawo. Weekend morning ndakamuka ndakatopedza kugadzirira hangu.
Ndakabva ndananga Shamva naBryn ko tanga tichasiyana here nekuti Bryn akanga oda Sarue
manje. Asi sarue airamba wena handaiziva kuti chii. Ndiri munzira kuenda kuShamva........

*end of chapter,,,,,,,, 18*

To be contiue,,,,,, chapter 18 B

Love you all

Amen
Game of love��
Written by TSHIYIWE (Meme)GONDONGWE
&
B.S BRAGGNAVE. SIKAZ
�084 617 3754
064
Chapter 19
Revai �
Ndakanzwa kunyara pandakaudzwa namama kuti kuspoiler kwandaive ndaita skirt kwairevei.
Ndakazvituka ini ndikati dzungu rangu rakanyanyisa ndaitei ipapa. Ugoona mama vaive vanditi
pinda mumba ini nharo pavava hezvo ndaratidza vanhurume zvisingaiti. Angela akazooneka
hake akuenda ,akandisiira $10 achiti ndigonotenga mapads. Ndakambomubvunza kuti ndochii
ichocho asi iye akangoti "ukangonodaro kuna shopkeeper unopihwa. Mama ndovakazoti " waita
hako mwanangu ndichatonotenga ini uyu haana chaanoziva. Mama vaigotadza nei kuaziva
kufamily kwavo kwaiva nani chose asi kuti ivo ndivo vakaita wrong choice. Kumba kwavo
kwaisatombopindwa postori vaive maKaturike akazara. Mama vangu vakadanana namudhara
mazuva avaiita zvekupisira pamashops. Ndokutovhevhetedzwa ndokutowanikwa vasingazive
kuti baba vachazoita vamwe vakadzi vekuhodha ,kana vairotawo sezvidhara zviya hamheno.
Ndakaona mama vouya vakabata zviya zvinhu zvandakabvunza mainini kuti zvaiva zvii musi
wauya hembe dzekwamai Bradley vakachizondiraira manje vakati "Revai mwanangu dhende
dzvuku iri rinoreva zvakawanda. Ukangotamba nevakomana unomita saka wotongwarira handidi
kunyadziswa and unozviziva kuti pano pamba ziso reumwe neumwe riri pauri". Ndakamboti
vhiringikei pakutamba nevakomana apa asi mhamha vakachizonyatso zvipatsanura zvikajeka.
Hanzi ukaona mukomana akuda kutamba achikubata bata muviri wako anenge achiitira kuti iwe
ushaye simba agowana kukuita zvinopa pamuviri. Mupfungwa dzangu maiita muchijeka
zvishoma nezvishoma ndikati hooo ndopane njere dzaBradley manje wanyangira yaona. Aiuya
achindibata achida kundiruma kutsvaka kuti andiitise nhumbu. Saru ndakamufungawo ndikati
hoo achapiwa nhumbu asekerere kaManu kake ikako kachimukama mukaka. Ndakazoratidzwa
mashandisirwo emapads acho ndikachizokurudzirwa kugeza kuitira ndisanhuhwire vanhu. Mama
vanenge vaive vaudzwa nyaya yaBradley nekuti nguva zhinji vaingoti "usazotinyadzise
pavakwasha".

Pandakasekwa naBradley ndakanyara ndikaramba kupinda mumota. Wakatozoita mutsutsururu


atondivhundusira ndopandakatenda ndakutya mashoko amama ekuti ukangoitwa zvinodiwa
nemukomana unoita mwana. Pane kuti tiende kumashops Bradley akateedza nzira yaienda
muchikomo hanzi ndofarira kugara muchikomo chero imba yedu yekuHalatso iripakakwirira.
Ndakamonya muromo ini ndasvotwa ndakaona sekuti aida kutondivhairira nekuti aive aona
zvin'anda zvezvidzimba zvedu. Musi uyu Bradley aida kungotonga tonga hanzi ndidane kuti
daddy. Manje ini ndakaziva kuti arikuzviitira kuti ndikaramba iye ondiita zvaanoda zvacho saka
ini ndakamudana zvangu ndikavharisa docket. Akazondibvunza kuti foni iripi ndikamuudza
hangu zvekukara maapple kwefoni yake ndaingozobhowekana pakundiseka pane zvese
zvandinenge ndichitaura. Bradley akazondiudzawo nezverwendo rwababa vake ndosaka
akakwanisa kuzouya asi akanga ambopedzisira kundiudza kuti arambidzwa kudzoka kuShamva.
Takatorana mapic akawanda ,ndaingonzwa iye achingoti this is nice, apa wakanya babie wange
wakatsinzina. Ndakangoti zvinei neni izvozvo iye akati "shaa mafoto aya ndoda kuno maratidza
muchembere wangu natete vako vaya so anofanira kunyatsobuda. Dai usingapaparike taitotorana
rimwe uchindimwaya kakiss hee babie. Uchandidemba hako ndisisawane nguva yekuuya kuno
plus exam rave kusvika". Handina kupindura zvangu ndakangoramba ndakatarisa kuside.
Takazobva apa todzokera kwedu kuWadzanai. Takasvika pamashops Bradley akapinda mushop
yekwaMurehwa ndokutenga zvinhu zvaakangozadza mupaper bag. Akangoti " this is for you"
achiisa pamakumbo angu. Akamutsa mota ndokupfuurira hedu nerwendo tichienda kumba.
Bradley akatanga nyaya dzake dzekiss but this time akapotsa ahwinha nekuti akandibata zvine
chisimba zvekuti ndaitadza kurwisa. Ndakazodeedzwa namai Mercy vaigara pedyo nekwamai
Saru. Melody mwana wavo aitevera Mercy taidzidza tese naye paWadzanai kungoti iye aive
form 3 chete. Pandakangoona kuti ndivo chete ndakarangarira Angela paaiti Melody aidana
Bradley musi watakaita masports pachikoro pedu. Ndakasvika pavari vakatanga kuda
kundibvunza kuti aive ani wandaive naye. Ndakavapima ruviri ndokuti asi mamufananidza
here nhai mbuya mai Mercy. Vakaridza tsamwa yekusvora ini ndichibva ndatotendeuka
kudzokera kwaive naBradley ndonomupa tsamba yake yandaive ndamunyorera ndiri
kwaChakonda. Mari yandakaudzwa namama kuti vaive vaipiwa namainini ndiyo yakandipa
simba rekunyora tsamba kuti ndimutsiure matambisiro aaiita mari iwayo. Mama vakanopiwa
$200 namainini obvious yakanga yabva kuna Bradley. Ivo mainini waingoona kuti kuenda
kumusika kwangove kuperekedza vamwe asi zvimari mari vainge vave nazvo.

Monday ndakaenda kuchikoro zvakanaka nekuti period wacho aive asisabudi. Saru haana
kuuya kuchikoro hamheno kuti aive arovherei. Takuenda kumba ndakadarika nepamusika
ndikapiwa makey asi ndakazoonawo mai Musomi vakundisheedza pavaive hana yangu ikarova.
Ndakasvika ndokuvakwazisa ndamirira kunzwa chidanirwa. Vakazoti "Revai upenyu hwanhasi
hunotoda kungwarirwa uye akuruma nzeve ndewako. Maitiro aMelody naSaru pamukomana
wako handina kumafarira. Wotongwara nekuti varikuratidza kuti vanomuda. Handina kuti
vabvunze kana kuti ubvunze Wilson asi ngwarira chete ". Ndakanzwa kusvotwa heya Bradley
achirikutaura naSaru hooo tichasangana. Tuesday Angela akauya achida kuseka seka neni asi
ndaive ndakadhinhiwa ndaitonzwa kuvenga Saru naMelody saka ndaibatanidzira munhu wese.
Palunch Bradley akazofona pafoni yaAngela ndikapiwawo and this time ndakati ndaizotaura
naye ndimuudze nyaya yake nanaSaru. Akatanga zvake zvana babie nanahoney ndikati hoo
kuda kundivhara uku. Akazoshamisika pandakamuudza kuti usiyane neni handiti une vasikana
vako vana Saru naMelody. Pakarepo ndakadzosera Angela foni yake ndokukunyaira
ndichidzokera muclass. Angela akauya pandaive ndokundirondedzera zvese zvaakaudzwa
naBradley pamusoro pana Saru. Akandiudza kuti Bradley aida kuzotaura neni manheru acho
pafoni yangu iyo yaaingotryer kufonera ichingoti not available. Foni yaive isina moto kubva
Sunday, nezuro wacho mainini vakange vaenda nayo kunoicharger kumashops but vakawana
magetsi kusina. Angela akaenda akanodana Saru naMelody ndokunomira navo kutoilet hamheno
zvaaivaudza. After lunch Saru aingondicheka neziso rakasara munzara ndikati kure mwana
wevhu. Ndakazoshamisika takuenda kumba vanhu vachideedzera kuti kwamuka dhudhu kuroad
yekumagumtree. Ndakamhanya ndichida kunoona kuti ndivanani vaive nesimba rekutambisa.
Ndakawana haikona haikona Saru naMelody iriburushashike maskirt arimumusoro
vachigamuchidzana zvimbokoma. Vakazotanga kutukana tikanzwiririra. Kkk vasikana ava
vaipenga chokwadi zvavaive vachakuvadzana nekuda kwemukomana wangu. Ndakabva
ndatoenda kumashops ndabhowekana. Ndakasvika mainini vakandipa foni vachiti yaive
yacharger. Pandakangoita on pakapinda mamessage hobho nemaphoto aya ekugomo. Bradley
akatozviona kuti foni yakushanda hamheno kuti aifembera here. Ndichangoti tenukei kubva
pamashops foni yakabva yarira zvayo zvema i love you Revai. Semunhu aive akadzidziswa
ndakaitsvaira ikatenda ndisati ndambotaura ndakanzwa "my wife how are you? "Umm ndaive
ndakarasikirwa ini ndichiramba kutaura pafoni. Voice raBradley rainakidza kunzwa apa aitaurira
pasi pasi zvine kakuyema mukati. Ndakangoti aa mukadzi wako ndiani nhaiwe ko uriseiwo hako.
Ndakanzwa kuti kwafariwa nekuti akanyatsoti "yes"ndichizvinzwira nedzangu nzeve.
Takazotaura hedu achiti aida kunditumira mari yelunch but ndakaramba. Ndakazomuudzawo
zvefight yevasikana vake akatoseka hake akati "ndazviziva kuti ndozvawaitira foni yako on
gulez vatonditipira kare. Shaa trust me zvimahure zviya handizvidi inini zvirikutondikambira and
musi wandinouya ikoko ndoda kuzviudzisa". Ndakati hoo saka mukomana uyu anototiita mahure
akeka isu. Urikuti mahure saka zvoreva kuti neni ndozvaunondiita. Asati adaira ndakabva
ndakata foni ndokupfekera muromo mumhino ndakananga kumana. Bradley akatomboedza
kufona but handina kudaira apa WhatsApp yaiita kurutsa mamessage. Ndakusvika pachikona
chana Saru ndakanzwa mhere yekuchema mberi kwangu ndikati ko yave ipi futi iyi. Ndakawana
Saru achidzurwa nemupani naManu ndikapa kutenda. Akamhanya achiuya kuzopotera kwandiri
Manu achingoduvusha munhu. Paakasvika pandiri akanohwanda kumusana kwangu ndobva
shamhu yauya yakacheka nepazamu pangu apa ndikanzwa kutapirira. Ini kuchema ndokwaive
kubasazve ndakatanga kuchema ndichiti Saru ndiregedze. Handina kuziva kuti nguva yese iyi
foni yangu yaive yabaika paifona Bradley saka noise yese iyi akanga achiinzwa.
Takabvumburudzana paya kusvika Saru adambura blouse rangu reuniform. Ndakati Saru kani
ndiregedze hona wadambura uniform yangu. Manu ndakanzwa kumuvenga pasi nekudenga. Iye
airamba achirova munhu ahwanda kuseri kweumwe here. Isu toziva kuti munhu akapotera
haarohwi. Akazoicheka shamhu nemumusoro mangu ikanobata neziso rangu ndikati
ndaiwedzera mhere. Zvese zvandaive nazvo ndakazvikanda pasi ndikabata ziso rangu iro raive
rongobuda misodzi. Manu akazotanga kuti sorry sorry but ndaive ndatokuvara. Akada kundibata
ndikamusabvurira kure. Ndakasumuka ndokunhonga twangu twese ndokupinda nzira
ndakananga kumba. Ndakatozonzwa foni ichiti duu kuratidza kuti yakata. Ndakasvika kumba
ziso rafushirika nekuzvimba apa richirwadza zvisingaiti. Ndakangosvika kumba nekutorara.

Pasina nguva ndakanzwa mainini vachizarura door vachindidana. Ndakatoshamisika kuti ko


vaidei nguva dzino. Vakandimutsa vachiti "pane mukoma waBradley panze auya kuzokuona".
Ndakachinja blouse riya raive rave marengenya ndokupfeka t-shirt yangu. Mainini vakandibata
nemumapendekete umu ndokuenda neni panze. Angela aivepowo akamhanya pandaive
akutonayisa mibvunzo kuti ndaive ndaita sei. Vakazondiudza kuti Bradley ndiye aive avaudza
zvekurohwa kwangu. Vakazondiridzira audio yaaive arecorder akavatumira. Ndakavaudza
zvainge zvaitika asi Mac akati akuenda neni kuclinic. Ndakarariswa pamakumbo naAngela
ndobva taenda hedu apa ndaingochema ndakuyemera bamukuru vangu. Nguva yese yandaitaura
naMac achibvunza zvaive zvaitika Angela aitove busy kunditora maphoto achitumira Bradley.
Foni yaAngela yakazoringer Bradley akati aida kutaura neni. Ko ndakambotaura here
ndaingoshinyira ndichichema kuti zvisuwise. Ndakasvika ndikarapiwa ndikazopiwa mapain
block. Ndakazobva kuclinic ndatorara hope. Ndichisvika kumba Angela akati mai vaBradley
vaive vambofona vachida kutaura neni asi semunhu aive akarara vakazeza kundimutsa.

Mangwana acho handina kuenda kuchikoro asi vana Mac vakauya kuzondiona zuva rakudoka.
Ummm mapaper bag akauya akazara nezvekudyira nekunwa. Ndaive ndakunzwa zvirinani chero
ziso rangu raive rakuona nekuzvimbawo raive rave nani. Vanhu vaitambisa mari ivava.
Ndakapiwa card raive rakanzi "wish you speed recovery". Ukuwo Bradley mamessage aingogara
achisender. Vhiki yakazopera ndakuenda kuchikoro, Saru akada kundikumbira ruregero but
ndakangomuudza kuti asiyane neni. Ndaive ndisina nguva yekutaura nemunhu akabhonona.

Sir vaya vemaths vaive vasisataure neni. Chero ndikasimudza ruoko vaingotarisa kuside. Friday
tiri paassembly takutoda kuenda kumba ndakaona mota yanaBradley ichimira kugedhi. Angela
akangonditsonya ndikatarisa pasi.

Takasvika pagedhi wanikwe vakomana vakachenera zvekufizura zviya zviya. Bradley


akasheedza Saru naMelody akamenya serious yesoja. Hamheno zvavakataurirana ndakangoona
ouya pandiri ndokusvika achindiruma dama but zvaisarwadza, apa aindidaro Mac naAngela
naBryan vakatarisa. Ndakanzwa kunyara zvisingaiti vamwe vangu vandaidzidza navo vaivepowo
futi. Takazopinda hedu mumota ini naBradley takanoburukira pamashops nokuti ndaida makey.
Manu aive atomira kuroad ndofunga aida kutaimira Saru but paakangoona Bradley akabva
atodzokera. Bryan akabva asvikawo achimhanya aive achida kuzoona Saru. Isu takatungamira
mberi vana Saru vachitevera but Saru aitaurira pamusoro maybe aida kunzwikwa naBradley kuti
arikuramba. Tatotifambei distance hombe takanzwa Manu akuti "Saru kurumidza kumira ipapo
tione". Ini ndaive ndakutya zvaive zvamboitika ndikapedzisira ziso ravengongoma. Bradley
akangoti " wait here I'm coming ". Ini nekuda nyaya ndakati handisari ndoda kunoonawo. Manu
akaigwanhura shamhu achida kudzudzunga Saru nayo asi vakomana vepaHarare vakati
unonyepa. VaSaru vangu taive tangoti undundu kumashure kwaBryan. Bradley aive nehasha
veduwe kana ndiko kuonererwa kwacho hamheno. Mbama yaakadira Manu yakarira kuita
sepatyoka puranga. Akaudzwa kuti "ndandichikutsvaka iwe wairoverei mukadzi wangu". Manu
aitoratidza kuti muhombe kuna Bradley asi akangoramba akati tuzu. Bryan ndiye akazobata kuti
hondo ipere. Akazovhunzwa chaaidira kurovera Saru akuti " mhosva yake ndeye kufamba
nemumwe mukomana ". Nxaa Manu aipenga chaiko ko Saru ndiye aive amudana here Bryan
wacho. Saru akatozoudza Manu ipapo kuti haachadi nezvake aive aneta nekutongwa like
mukadzi akadyirwa pfuma. Ndakangoti ko kukamiwa kwese kuya saka zvatovharana here. Manu
akabva atoenda asi airatidza kurwadziwa. Bryan akangogara padombo ndokusara kwakaita. Saru
akabva atoenda kumba kwavo. Bradley akauya pandaive ndokuti "kwasara iwe unoda kurohwa
dzungu riite shoma", apa aive asingaseki. Ndakabva paaive ndokupika step ndichienda. Iye
akazviona kuti patoipa ndokumhanya achitevera. Akasvika achimira mira mberi kwangu apa
11ndatonyora mumatama. Akatanga kuti " sorry babie ndandichitamba newe. Shaar ini maoko
angu haasi ekurova vanhukadzi especially wandinodisa sewe". Ndakanyererwa ndikadzikama
kani. Ndakazonzwa munhu akuti "ndokumbirawo kungogudzva mazamu ako zvishoma ndotobva
ndaenda. Ndakabata muromo ndichivhunduka kuti munhu angataura zvinyadzi here. Ndakaona
akusimudza ruoko rwake kuti andibate ndakabva ndamuruma. Akandisundidzira kwakadero
ndikanodonha, pandakasimuka Bradley aingoyuwira ndikati nhasi ndorohwa ini ndakabva
ndatotiza ndichimusiya akamira achingozuza ruoko rwandaive ndamuruma.

End of chapter 19
Love you all��

Like our Facebook page


Meme books

WhatsApp links������

Meme books https://chat.whatsapp.com/C4GMb4xPebS5SaAShUADdC

Welcome to Meme books GRP 2 https://chat.whatsapp.com/H2Nhk27GAjO0WjKe0qhZka

Bragenavy: Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/7oehok6VGCnBPURWUOTCTe

Meme books 3 httpas://chat.whatsapp.com/GrqIhH8NEhQ20GrRqs1EF8

*GAME OF LOVE*❤

WRITTEN BY

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

(Chapter......18b

BRADDLEY ��

Ndakasvika paShamva kuma8 wanei Mac atori naAngela, ndakashamisika kuti anga auya nguvai
ah. Ndakatozodana Mac mubedroom make ndikamubvunza kuti ndakanzwa neshamwari dzangu
kuchikoro dzichiti musikana ukasangana naye haadi kuzokushaya ichokwadi here?.,,Mac
akandipindura kuti "ichokwadi" ndakangoti nechemumoyo saka iwe naAngie makasangana chete
coz ah zvakanyanya izvi. Angela wacho aisatombotya Mac kana apa chese yaingova daddy,
daddy. Waitozviona kuti ndiye anotokokota mukomana. Ndakanzwa futi kuti musikana
ukadanana naye asiri mhandara anokunyengerera futi so maybe gulez yangu yakasangana nablaz
vangu yakatosimudzwa muswe kare. Takadya chikafu makuseni iwayo tichiseka. Ndakazoti ah
nhasi ndoda kumbonoona mai Musomi kuchiri kuseni. Ndakabuda ne *B.M.W* yaMac.
Ndakamhanya pamashops ndichisvika ndakaona Sarue achimhanya pamota ndikashamisika kuti
Sarue why nhasi asiri kuchikoro."Hie Mr Wilson makadii henyu.",,, akadaro Sarue
achitenderedza maziso ake iwayo maSex eyes aaiva nawo... Hesi hako musikana urisei. "Nhai
Bee ungabva wanditi musikana ko kunditiwo babe or something romantic.",,, kkkk ah Sarudzai
why all this babes and all romantics for what nhai inga unoziva wani kuti romantic word doesn't
deserve you. Ko kamuface kako kanodembedza kashort kekuchikoro hakakuudzi here zvese
izvozvo. Apa futi hona mai vaRevai vari pano so why are you always after me pliz ndinoda
Revai kudarika vasikana vese vaunoziva wena am sorry. Ndakabva ndafamba ndakananga
pamusika wamai Musomi ndakaona vachinyemwerera vakanditarisa. Ndakasvika
ndikavamhorosa ndikayambukira kuna Ambuya vangu ka Mai vaRevai tikakwazisana hedu.
Ndakabva ndatoti ko musikana asi ari kuchikoro. ... "ayewa mwanangu nhasi aenda kunomboona
vanamhamha kwaChakonda uko." ... Vakadaro mai vaRevai vachiratidza kuti pavarikutaura
parefu.,,, ndikati ah Zvakanaka Mhamha ndakuonai hangu regai ndiende... " ah nhongawo
Orange apa mwanangu uende uchidya". ndakamboda kuramba panguva iyoyo asi ndakatozoona
kuti ah kana regai nditore vangazoti ndinodada. Ndakatora ndikatanga kumenya hangu
ndakagara pasi ndakabva ndadyira ipapo vakatarisa havo... Ah oyi Mhamha muzoshandisa henyu.
Ndakavatambidza mari $100. " iii mwanangu ah kana yawakandipa manje manje apa haisati
yapera hako rega kani." .... Ah mhamha tambirai musadaro henyu. .... Vakatambira mari iya
ndichisimuka ndakananga pana mai Musomi. Ndaida kunobvunza....,, ,mother kuti ko
musikana kwaanzi aenda kurefu here. " ahh paChakonda paripo hapo asi makombi anoita $1
kubva pano kuenda ikoko." Ndikati ndiudzei kuti ndinofamba sei... Ndakatsanangurirwa
madirections ekuendako ndikati ndakutoendako. Ndakapa mai Musomi $20. Ndakabva ndananga
kumota kwangu. Ndichinhosimuka kubva pamashops ndakaona ah musikana arikundimisa.
Ndiani ndakamira paya. "Hie handsome." Oh Hie how are you. Ndakapindura ndine
kakushamisika. Ko ainditi handsome kuti kwakanaka here. " am Melody and you." Oh ndakabva
ndaziva kuti ndiMelo uya wa Professor waindidana kumasports paya. ... Am Bradley Wilson . "
ok Mr Wilson nice to meet you," ,,,,, ndakangoti ok ma'am thank you. Ndakaona achipinza
ruoko rwake nechepakati pemazamu akabudisa phone akanditambidza. Zvikanzi " can I have
your number if you don't mind." Ndakambomira kutambira ndichifunga. "Ok Mr Wilson thank
you". Ndakazosimudza mota ndakananga kuMine.... Guys babe hariko hanzi ari kwaChakonda
ndokumba kwavo chaiko. Ndichingodaro Angie akadaira..."aiwawo paChakonda apa 10mins
tinosvika ko tikangoendako hedu tinomuona." ....." Yea thats true hny. Padhuze apa tinoendako
tese." Takangowirirana pachedu tikabuda. Takaenda neB.M.W. takanosvika pamashops
tikabvunza tikaratidzwa pamaraini pacho. Hey zvandakaona ipapo so ka ah dzimba jawi kuita
kunge ruzevha rwese pari pamba pemurume 1. Takanomisa mota kuroad tikagara hedu since
paive pasina munhu aionekwa kufamba. Takagara mumota kudaro ndakaona babe achiuya
ndikati yessss. Takatarisa tese achiuya wena ko kuchena chete ah kuita njuzu kani iwe
ndakasekerera nekumedzerera chikapu chemate. Ndakazoshamisika ndichiona, kumashure
kwake kwaiiuya mumwe mukadzi achimhanya. Ndakadhiniwa paakamiswa nemukadzi uya.
Vakamira kanguva kadiki hamheno zvaingoongororwa pababie rangu namai vaya. Ini
nechemumoyo ndaive ndakutoti ngavachingomusiya achiuya kani ah vakomana ko aita sei.
Takazomhanya Revai achiridza mhere tikati ko kwaitikei. Mukadzi uya akambomudhonzera
mumba wena, asi ndakaona kuti airamba. Takusvikawo tichida kunzwisisa zvaitora nzvimbo but
to my surprise Revai akatenderedza skirt achichema. Ahhhhh menstruation. ini naMac naBryn
takamira ipapo takashama tikadzoka kumota takunyara apa ndopandakaona kuti Revaai mwana
mudiki zveshuwa. Angie akazouya achindiseka wena kuti "bamunini musikana wenyu chanana".
Ah kana kuzombotaura nayr takazomboda here takapinda mumota takudzoka kuShamva. Ko
ndaityei kurara kuShamva iro bere rangu mudhara Wilson anga asiko kumba.

Sunday morning ndakati nhasi ndoendako ndega kwaZvakonda izvozvo . Ndakageza


ndikamwaya maperfume zvekuramwira chaiko kuitira kuzovhara smell yeropa rataive taratidzwa.
Ndichisvika kumaraini kwana Revai ndakamira nechekure ndichigaya kuti ndosvika sei.
Pandakazosimudza mota ndatorovera moyo padombo ndakaona munhu uyo achiuya. Angie
akanga agara amuti mangwana tinodzoka so ndaingoziva kuti anototarisira. Ndakatadza
kuzvicontroller ini ndikatanga kuseka hangu mumoyo muchingoti vana Revai makangongwarira
mashoko asi zvinoziikanwa dhoo. Revai akabhowekana nekumuseka kwandakaita, kumwe
kwaive kunyara nyaya yaityaitika nezuro wacho. Kudoti Revai pinda mumota tiende angatenda.
Ndakazoiya zvegangara chaizvo ndatomuvhundutsira kuti ukangoramba ndokuita zvausingadi.
Akazopinda tikaenda kunechimwe chikomo. Ndakangoona kuti tikafamba takananga
kuchikomo zviri nani pane muarea. Takatanga kutaurirana nyaya paya naRevai uyo airatidza
kunzwisisa asingaite zvake zvedzungu. Ndakazoshamisika ndati kuna Revai imbondidanawo kuti
daddy nhasi ndifare. Akanditarisa so akati."makadii Dady Bradley",,, ah hesi babe urisei. "Ah
saka ukushamisika asi ndatadza here". .... No no no babe hauna kutadza uribho chaizvo.
Zvakandinetsa ini i think aingoitira kuti ndisamuite zvaasingadi izvo zviya zvekurumwa.
Ndakazoti ko phone iripi babe hausi kubatika. "Ah iwe foni yako yawakandipa inogara inenzara
iya ahh inoita kunge inotaura ahhh zvese zvese inenge ichingoti Apple, Apple,Apple saka ini
handizivi kuti paunouya pamai Musomi paye waiitengera maApple here." Kkkkkkkk sorry
kkkkkkk haidyi maApple babe inonzi Apple Iphone honey.. Ah Revai ka usadaro unondiuraya
nekuseka kani... Ndikazokuseka wotsamwa futi. Ndakaona kuti shasha yabatikana. Ndakangoti
ah sorry hny. Tichisvika kuchikomo ndaida kumukisser Revai akati... " ah ini ndozvandisingadi
zvekurumwa newe handidi hangu kana uchida kurumana nevanhu enda kuna Sarudzai unoda
kundiruma kuti uri dhongi here. .....This time maziso aive atotsvuka ndikati kwave kuda
kuchema uku. Ndakabva ndatoona kuti mwana uyu haana chaanoziva. Ko kuzoti gare gare
azvibata kumagadziko hamheno chaitsvakwa , maybe aitarisa kuti haana kukuvara here.
Takatorana mapics maselfie ah ndakati yea zvakuchinja asi kubatwa hake ummm aisada aibheja.
Ndaingoswededza kasoro kangu pedyo asi ndisina kumugumha. Amwe aibuda shasha
yakasinzina ,pamwe ombobata kumeso.Takazopinda mumota takudzokera pamashops.
Takaburuka tikatenga chikafu chedu tikapinda mumota ndakunosiya babe pamaraini pavo......
Ndakabva ndamisa mota paside peroad ndikati chindipa kiss babe. Zvikanzi "watangaka
ndizvandinokuvengera izvozvo kana ndotaura woti hee hee Revai ipapa aar. Ndakati babie kani
huya tirumane ndifare ka1 chete mudiwa wangu, ruva remoyo wangu. "Ahhhhh ini handidi
kurumwa hako kana handidi."..... Ndakati handikukuvadzi babe zvinonakidza hako huya tiite.
Ndakamubata musoro kuti ndiswededze padhuze asi Ummmm panga pakaona pandakada
kunodai ndakanzwa. "Revai Revai !!!". mumwe mukadzi aidana. Revai akangovhunduka
ndokutovhura door ndokuenda. Achisvika paiva ne mukadzi uya akabva adzoka akabata
pawindow akabva ati "Bradley Wilson ndakuenda ini. Ndichingotarisa muruoko so hey
ndakaona ............. Aaaaa.......

*END OF CHAPTER....18B*

WATCH OUT FOR PART...19

*love you all*

God bless

*Amen*
Like our Facebook page
Meme books

WhatsApp links��
Meme books https://chat.whatsapp.com/C4GMb4xPebS5SaAShUADdC

Welcome to Meme books GRP 2 https://chat.whatsapp.com/H2Nhk27GAjO0WjKe0qhZka

Meme books 3 httpas://chat.whatsapp.com/GrqIhH8NEhQ20GrRqs1EF8

https://chat.whatsapp.com/JH6UbLoDxoY8IIvmsnqS6X

*GAME OF LOVE*��❤

WRITTEN BY:
*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.... 20

*#BRADLEY*

Ko yanga iri Sunday ka so ndaitofanira kumirira Revai kuti ndidzoke naye kuShamva since
monday afanira kuenda kuchikoro. Plus ndaisada kuti babie wangu afambe ega ndaitya
kutorerwa Ndakazosimuka kwaChakonda kuma 6 ndikadzoka ndikasiya mukadzi wangu
pamashops pamusika wamai vake. Ah tiri muroad kudzoka moyo wangu waingoti ndicharibata
rini zamu rakaita kunge re brama iri. Ko mabramani ndaimazivira kupurazi kwedu kubanket ka.

Ndakazvidya moyo ndikati ndikangoribata chete pangu papera. Apa ndaisada kurambana
naRevai chandaida pana Revai itrue love and i wasnt expecting it to end, even though she was
troubling my heart ndaisambosvika pakuti handichadi chero zvazvo mudhara aitsemura mbiti
kusvika yadzokera mumvura ndaingonzwa kuda Revai sekunge ndakadya, mudya ndakasungwa.
Pakuparadzana ndakapiwa tsamba ndikafara ndichiti pamwe ndichawana mune mashoko erudo
wanei ndirikutopopoterwa mari yandaipa vana ambuya vangu. Mari ndaisatomborega kuvapa
ndaida kuti aidyirewo ipapo Ndakazosvika kumba kwaMac ndikatorana naBryn tikachinja mota
tikatora yedu *Ford Range*, takanga hedu kumba asi iiiiii ndaifara kani. Ko ndakambodanwa
kunzi Dady the whole day ah ndakaswera ndiri baba. Ah ndopaunonzwa Mudhara Wilson achida
kundivhundutsira ini ndiri Dady kumba kwangu ne mukadzi wangu ah anokonya zveshuwa.
Ndakasvika kumba ndichiona mom varipo tikafara ko mapics ndakanga ndatore ka ebabe rangu
hobho. Ko mudzungairi weshambo chena anga asipo ka mudhara Wilson. Saka mukana
wekutaura pamusoro paRevai taiva nawo hapana aitirambidza. Uku mumoyo mangu ndaingoti
kana ndikanzwa kuti mudhara afira kuSudan ka handitombodi kuti chitunha chake chivigwe
kuno. Ngaavigwe ikoko ah nhai munhu anoda kuita sekunge akapihwa zvidhoma nababa vake ah.
Ndakazoti kuna mom ndiudzei kuti mudhara aitonyenga here kana kuti makatonyengwa
nemumwe munhu kuti muzodanana namudhara.... Mom vakaseka."why Bradie uchifunga
kudaro,nei ziva kuti ndiDady vako vauri kudaro mwanangu". ... Yes he is,but he is supposed to
behave like father not kuita se enemy yangu ka mom and look here mom in handina kunyenga
imi pamainyengwa namudhara zvekuti Mudhara site like akanaka so......"kkkkkk ah mwana iwe,
wapindwa nei Bee. Asi dady vako hauchagoni kuvapa respect here zvaunotaura mashoko
akadai.",,,,no mom, not like that,but ndinodawo mukana wangu wekunyenga munhu wandoona
kuti anondiitira. Handidi kuzochema nemunhu mangwana ndakunetswa ne mukadzi
wekusarudzirwa.... Ndakaona mom vachipererwa nemashoko andakanga ndavabaira.
Ndakazosendera mom mapics aRevai vakanga vati Senda pa what's app yangu. Ndakangogara
mumoyo mangu mune kufungisisa kuti Revai achanyatsopinda mugwara when. Asi chaisafa
chakauya mupfungwa dzangu kuramwa Revai ah apa bodo zvee imi hazvaisaita zvee.
Ndakazonorara hangu nekuti pandaiedza kufonera Moyo wangu foni yake yairamba. Ehezve
Moyo wangu ndiRevie zvee. Ndakaenda kuchikoro kusvika Wednesday pasina kana problem.
Thursday ndiyo yataitanga kupinda muExam. ko problem yakanga yaenda kuSudan ka. Problem
yakazouya ndafonera Revai akadaira foni ndoanzwa kuti aichema and paiva nenoise kuratidza
kuti airohwa asi ndakatonzwa voice raSarue. Ndakangoti ndichikata foni ndakapinzira Mac kuti
amhanye kunoona kuti chii. Akaenda ko hapana kupera time ndakazofonerwa naGulez Angie
vachiti Revai aichema nekuti akarohwa ziso naEmanuel. Vakatombomupa hapana chaakataura
aingonzwika kuchema chete. Pavakazotaura futi neni vanga vatova paShamva Hospital.
Ndakazonzwa kuti ah ava bhoo asi ka ndakaita godo rinenge zi ice-block chairo. Ko Revai
ndaimuda ka.ndakangoti mufana anonzi Manu ndikamubata ndichamuita yese yese atange
kurova mukadzi wangu ini ndisati. Ahh ndokujairira ikoko zvakafanana kuti anogona kutanga
bonde nebabe rangu ini ndisati ah i will teach him a leason he will never forget. Still
ndakangozviisa muchikaringiro chepfungwa dzangu ndakamirira kuti saturday isvike.
Ndakazoenda kuchikoro uri musi wefriday. ndakapedza hangu kunyora Geography.
Ndakanobuda panze hangu musoro uchipisa nekufunga hangu kuti ndagona ka paya ah ko
kuchikoro ndaiva mbada zvee. Asi nekuda kwaRevai ndanga ndakuti ummmmm ndogona
kutadza chikoro. Zvisinei kana ndika failer hangu nekuti ndatenderedzwa brain naRevai..."hie
Mr Wilson. How are you doing".,,,ndakafinyamisa face ndichitarisa uyu Rebecca wena, akamira
pamberi pangu nevamwe vakomana 2 vaiva maA'Level.... Ndakada kuenda nepadivi
ndikavharirwa ndikati fine.... Guys you want to play games with me right. Ndakabva ndatanga
kutodhiniwa.. Iwe Rebecca whats all this ukuda kuita sei iwewe... "You will regret the days of
your life and you will see that i am the daughter of the great man Perence Shiri." ... Kkkkkkk
ayas what a jock. Do you know whom am i. Iwe kkkkkkk aya. Ndakangosunga face ndikati
'Fuck you bitch',,, ndakangonzi nemumwe mukomana gaa necheast ndikati what ever
ndichingoenda kunosangana naBen takananga paMota hedu. Takanosvika kumba
ndikatsanangurira mom kuti kuchikoro kwakuda kushata pane musikana akunditsvakira
mamonya. Hapana kutora ma minutes kuti principal vafonerwe namom. Ndakazoudza mom kuti
since ndakasika kunyora kudai ndoda kumhanya kuShamva kunongoona face yaRevai. "Ah
unosvika nguvai nhai Bee".... Mom this is 11:30 panokwana 1 ndinenge ndatosvika. Apa
chaindipa kuenda iri friday ndaida kunoona vasikana vandakanga ndaudzwa naRevai kuti
varovana nekuda kwangu plus ndaida kunoona mufana aiva nezvivindi zvekuisa ruoko rwake
kurova mukadzi wangu. Takanosvika kushamva mine Team yatogadzirira since ndakanga
ndavafonera. Takangosvika vachipinda mumota coz taiva nemota yemugwagwa yatingati ndege
yepasi *TOYOTA CRUISER FJ* yaiva nenick name yekuti *GUDO*. Takanosvika pagate
rechikoro. Ndakangoona kana mateacher achitarisa. Ndakabva ndaona vasikana vaye vekurovana
*Melo and Sarue* vachiuya ndikavadana vakamboda kuramba asi ndakavaudza kuti mukasauya
pano ndikuuya kudzimba kwenyu kuvabereki. Vakabva vatya vakauya ndikavabvunza
chavakarwira hapana akapindura nekunyara ndakazongoti zvigume nhasi. Ibvai pano mahure.
Iwe ida mukomana wako *PROFESOR* iwe ude wako *EMANUEL* vakanyara apa vamwe
vana vechikoro vakatanga kuseka havo.
Takasvika pamashops tikaburuka mumota Revai akapiwa makeys. Tikananga kumba kwavo.
Takafamba paya takuenda hedu apa bryn kwakudana Sarue wena vakuchifamba vese.
Ndakazonzwa Manu adana Sarue uku akabata shamu ndikati yea nhasi mira uone ndoda
kumurova Manu nenyaya yaakaita yekurova ndakaudza Revai akasagutsikana. Ndakasvika paya
achisandidzirwa naBryn apa Sarue anga ari kumusana kwaBryn. Ndakangosvika ndichimupa
demo rembama ndakaona munhu achidzungaira, kudhakwa chaiko nezenya randakamutambidza.
Akazongonzi naSarue handichakudi. Ndakaona shasha dzungu richipera apa Bryn akabva ati
warambwa ka ndikakuona uri padhuze naye zve 10m ndokuuraya. Apa Bryn raityisa ka raigara
richisimudza simbi. Se Bord gaurd rangu ka aifanira kugara achityisa kuitira Defence.
Ndakambojoker naRevee ndichiti kwasara iwe kurohwa ndobva atotsamwa. Ndikatanga
kunyengerera apa ndaive nebasa chairo.Takafamba naRevai takuenda wena. Marumirwo
andakazoitwa ndada kunobata zamu rarevai iii ndakarwadziwa. Akabva atiza hake. Takabva
tadzokera hangu naBryn tikasvika Mac na Angie vasimo mumota. Vakazouya vanga vanotenga
machips.takadzokera kumba ini naBryn tikadarikira takananga kuharare since mom vanga vati
tikasike kudzoka. Tichingosvika kumba ndakadya. Ndakazovata hangu time time ndapedza
kutaura ne mukadzi wangu pafoni. Even though ndakanga ndarumwa hangu ndaingoti ndokubata
chete apa ndanga ndagadzirira plan kuti mangwana pandinoenda ndoda kutokubata chete.
Ndakamuka kuseni ndisingamhanyi hangu ndichigadzirira kuenda kushamva kwangu ko ndiko
kwanga kwakumba zve. Ah regai zvinzi musha mukadzi shuwa ndatenda hangu ah. Kkkk
ndakutogara kushamva ka ini nekuda kwemukadzi ka. Ah ndakazviseka hangu ndiri
mundangariro kudaro. "Ah nhai Bradie asi nhasi hausi kuenda kushamva kunoona muroora
wangu here". .....ndirikuenda mhamha ndinokona nei. Inga munozviziva wani mom kuti
ndokwatova kumba. kkkkk and ah mom ndabvuma hangu kuti vakadzi vakasikwa Mwari afunga
chaiko ah vanhukadzi makakosha kani... "Kkkkkkk wakupenga Bee yoo kkkk wazondinakidza
hangu mwanangu.",,,, serious mom. Vakadzi ndiwo maruva enyika chaiwo ahh ini rangu ruva
ririkushamva. Asi ndiri right mom look here mom. Dady cant spend a day without calling you,
vari ikoko vanenge vachingoti dai ndadzokera kuruva rangu. ..."kkkkk ibvapo Bee wapindwa nei
iwewe. As wakuda kuroora here mwana wangu.".... Yes mom if u give me money i can get
married. Ndakaona mom vachisimuka pasofa vachingoti "yoo yoo yoo Bee ka wapandutswa',,,,
ndakaseka ndichipedzisa kusunga Jeko rangu(Nike) ka ndiro Jeko.... Mom am now going to
shamva now. " ukuenda nemota ipi"... Mom vakandibvunza. .. Ah ndikumboenda ne *JEEP*
nhasi mom... "Ok swtie famba bhoo.",,,, ok mom bye.... "Bye Bro love you",,, ok bye Ben and
Marcia love you too my sisters... Ndakabuda naBryn wangu as usual takananga kumukadzi zvee.

Takasvika kumine tikaona Mac naAngie vari vese asi ndakangofunga kuti ummmm ava vanhu
havachasiyani ka umm pamwe vakamboooo. Ah asi chero vakachitorana hanty Angie
akutonyora A'Level yake ah zvinoita zvazvo. Ndakazongoti nechemumoyo dai ndiri ini naRevai
ah ndingadai ndakatonobvisa mari yangu kumba kwavo ndichiri kuchikoro chaiko... ."ah Dady
Bee nhasi toda kutonoona Revai tese nekuti mukomana anonzi Manu akarova Revai ka anogona
kungoda kukuitirai musikanzwa.",,,, kkkkk ndakaseka hangu. Ah gulez look at Bryn, please take
a good look at him. Mamuona here. "Yes Dady",,,, papi pacho pandinorohwa Bryn aripo
hazviiti... " iiii kana vachida kuona kuti Shamva inovharwa ngavabate Boss wangu". Akadaro
Bryn. Hey ndakabva ndanzwa kudziirwa chaiko.
Yes lets go guys. Ndakadaro ndakamira hangu takanopinda mumota yaMac *Toyota Fortuner*
tikananga paWadzanani. Tichisvika ndakaburuka ndikasvika pamusika. Ndikamhorosa mom
ndikanomhorosa mai musomi. Ndakazoudzwa kuti Revai aiva kumba achiaina hembe. Ndakabva
ndati regai ndidzokere hangu mhamha..."ah mwanangu pamba unopaziva enda ikoko unomuona.
Oh mazayi aya unomupa abike tea mukapedza kudya mondivigirawo".vakadaro mai varevai Ah
no mom its ok mazai regai nditenge pano not kuti mutenge imi noo. Ndakabudisa $10 ndakaisa
pamusoro petable yavo yepamusika. Ndikabva ndasimudza crate ndikatambidza Bryn
akanopinda mumota apa Mac na Angie vakanga vatoenda kumachips zvavo. Takapinda mumota
kuenda pamba pana Revai. Bryn akandisiya akadzoka. Ndichingomira padoor shasha haina
kundiona apa yanga yakapfeka kamwe kaskirt kekuti ndakati ah vakomana ka ndakaita
sendichadonhedza mazai. Ah Revai aiva mwanana asi kubatana ka ummm paiva ne unit
governments yemukadzi. "Ahhh Da Bee kani. Unondiuraisa ndavhunduka." Achidaro Revai
aimhanya kuseri kwedoor kwakunosunga Zambia... Ah babe is fine zvawanga wakapfeka
zviribho wani. Asi ummm wakavakwa babe kuita Ummmm dai uri building ka, ungadai uriwe
the best build in world, like riya reku America rekudonhedzwa naOsama kkkkk...."ah kana apa
ukudei kuno kumba kwedu Nhai Bee ko wadii kuuya wafona first." Ndatouya hameno kuti
ndombodzokera ndinofona here. Tambura mazai aya. Akatambira mazai. Revai achitendeuka
achida kunomagadzika uko. Ndakangoona ndamubata muchiuno akadaro kutiza asi ndainge
ndakamubata. "Bradie ndisiye, ndisiye pliz." In ndakati kana usina kundipa kiss handikusiye.
Akadar kunzvengesa musoro ndikati ah nhasi uchatondipa chete..... Ndakanoti muromo pane
wake ndichida kuti ndichinopinza my tongue mumuromo MaRevai ndakangonzwa.
Ah.............. Ah........ Ndichidakuti ndichnyatso kissa munhu wangu akabva ati..........,.....,,......,

End of chapter 20

Watchout for chapter... 21

Comments pliz

*Like us on fb page*
*Bs braggnave sikaz book/stories*
&
*Meme books*

WhatsApp Links

Meme books https://chat.whatsapp.com/C4GMb4xPebS5SaAShUADdC

Welcome to Meme books GRP 2 https://chat.whatsapp.com/H2Nhk27GAjO0WjKe0qhZka

Bragenavy: Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/7oehok6VGCnBPURWUOTCTe

Meme books 3 httpas://chat.whatsapp.com/GrqIhH8NEhQ20GrRqs1EF8

Meme books 4 https://chat.whatsapp.com/7TYlKj9vLEx8QvLpLG6Bwu

Game of love.
Written by TSHIYIWE (Meme)GONDONGWE

B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ
�084 617 3754
064 179 1014
Chapter 21
Revai �
Pandakatiza Bradley ndamuruma ndakasvika kumba ndikazvikiira. Ndaitya ndichiti pamwe
anganditevera akazondibamura sezvaaive aita Manu. Ndakatozovhura door ndanzwa mainini
vachideedzera. Vakatobvunzawo kuti zvaive zvaita sei kuzowanikwa ndizvikiire asi
ndakavanyepera kuti ndaitya Manu. Ndakatanga hangu kufunga zvaive zvapotsa zvaitwa
naBradley ndikati nechemumoyo mukomana uyu anoda kundijairira. Takabika sadza chete
mainini vakanga vauya nenyama yakagochwa hanzi ndaitenga kumagirosa ummm ndakazviruma
nekunakirwa. Ini semunhu aive akatojaira kuti handirare ndisina kuita homework ndakasumuka
ndikaenda kunoita basa rangu rechikoro. Mainini vakasara vachisuka nekurongedza mumba.
Ndakazonzwa mainini vondisheedza vachiti foni yangu yairira. Ndaive ndatozviudza kuti
Bradley akafona nhasi handidairi asi apa paive pasisaiti kuignorer nokuti mainini vaitondiforcer.
Ndainyanyotya kuparadzana kwataive taita naBradley uyo akandisundidzira zvaive zvisina kana
tsitsi mukati. Ndakazotsvaira foni iya ndokuisa panzeve ndikanzwa "hie chimama wasara boo
here?" Ndakangoti ee kurisei? "Ummm shaa ungangoti ee chete waregerei kuti eee daddy asi
hausi kundifunga". Ndakati mukomana haafungi uyu chokwadi nemarumire andaive ndamuita
ndaitotarisira kunzi zvavharana. Manje ini ndaitya nekuti ndaive ndanzwa vana Saru neshamwari
dzake vachiti ukangorambiwa nemukomana unenge wasiirwa munyama. Ini ndaitoda kuti
Bradley adzoke ndigomuramba ndiri ini. Mainini vakazviona kuti ndaishaiwa zvekutaura
vakandizevezera vachiti enda panze. Takazotaura hedu achingoti mama vangu this mama that
ndakatoona kuti naamai vake vaiwirirana zvekuti. Iye kana kumbotaura zvekumuruma
kwandakaita ndakangoti nechemumoyo zvavharana nembama yawarova Manu. Bradley aibhowa
kuti akatanga kutaura pafoni aisada kubvapo apa ini ndinenge ndichingonzi ndiudze nyaya.
Seipapa ndozvaaingoita nhai ndodziwanepi ini. Ndikangoti handina nyaya iye ototanga kuti
"handiti haudi zvandinofarira here izvezvi waidei uchingoti daddy Bradley your kiss was sweet.
ZvaBradley zvaitevedzerwa here akambouya achikumbira kiss iyoyi ,nhasi oti yave sweet which
type of sweets saka mabubblegum here madandy maybe zviya zvisina kupfeka zvataiti zvimburu
kana aya anovava eflue. Hamheno kuti anonzi chii asi ndakambomapiwa namainini
ndakatsvetera voice neflue. Akazokata foni yake late atoona kuti ndiri kutaura ndega nokuti
dzimwe nguva aitobvunza kuti uchiripo here kana kuti wakata foni. Ini ndaingoti ee
ndotonyarara, ipapa ndaingodaro hangu asi ndainzwa kunakirwa nevoice rake especially
ndikazofunga the way yaaipronuncer pekuti Daddy Bee umm hana yairoverera.

Kuseni ndaisaenda zvangu kuchikoro because maA'level nemaO'level vaive vatotanga kunyora
saka weekend vaiuya kuzoverenga. Isu taityirwa kuti taizovaitira noise. Takamuka tikabatsirana
mabasa epamba namainini ini ndaitsvaira chivanze ivo vachidzudzura mumba nendove.
Vakazopedza ndokudya chimunya chaivemo vachiti vaive vanonoka kumusika. Ndichangotanga
kuwacha ndakaona Sarue uyo achiuya kumba ndikangoti kwakanaka here regai tinzwe kuti
mhesisi inodei. Akasvika tikamhorosana ndikamupa chisaga akagara. Nhaimi vamwe vanhu
vanopenga Saru aive akundibvunza nezvaBryan hanzi "nhai Retso ko Bryan anoita nezvei? Chii
chana Bradley uye unoona sekuti anemari here uya?" Ndakamutarisa hangu ndikati ndimudire
pfocho ndakamunzwira tsitsi dzekurohwa kwaakaita naManu ndikazoti ummm Saru izvozvo
zvotoda iye bec ini ndichakuudza kuti musoja iye pamwe ndiDoctor hauoni kuti ndenge
ndakunyepera. Zvemari yake hake shaaa handisati ndamboichengeteswa handisi bank rake ini.
Ndakamupindura zvinonzwisisika zvaive zvakachena asi iye akatoti ndamutuka aaa hamhenowo
hake munhu wepi asingadi kuudzwa chokwadi. Akasumuka akaoneka ndikangoti iriboo. Pasina
nguva foni yangu yakaringer aive Angela akangoti ndandichida kunzwa kuti mupfana wangu
amuka sei. Takambozoseka seka achindiudza kuti "Bradley aiti wakamuruma shaa usadaro."
Ndakamuti anonyepa handina kumbomuruma ini asi iye akasiya arova Manu i think vairwira
Saru ndaive ndakuwanza hangu handiti chokwadi ndaichiziva hangu.

Ndakazotanga kusarudza hembe dzandaive ndanzi namainini ndipise amwe aive madhende.
Ndakasanganidzana nekamwe kaskirt kandaive ndapiwa nasisi vangu vachiti dhara ravo
rakaramba kuti vakapfeke. Kaive keblack kane vent pagumbo rekwaleft. Vent yacho
yainogumira pakati pechidya chaipo apa icho chaisasvika kumabvi. Ndakachitora ndikachipima
ndikati kana ichi ndichanochipa munin'ina wangu kwaChakonda handingambopfeki mini
yakadai. Ndakazovarairwa ndakakapfeka chero pandakanogeza ndakangozopfeka katop kepink
kaive kane tuoko twakaita tutambo chete. Mainini vaigara vachikati kasphaget kahembe kangu
ikako ko kaitove ka *label* zve (spaghetti). Ndakazotanga ironing apa ndichiimbirira nziyo
dzaiimbiwa last week yacho kuchechi. Ndakavhunduka ndichiona Bradley achipinda mukitchen
mandaive ndakatopfugama ndichiironer. Chiskirt chiya chaive chakakwinyika chichisiya zvidya
zvese panze. Ndakamhanya kuseri kwedoor ndokunotora zambiya ndokumonera nemuno
mumazamu umu. Manje tuzamu twangu twaive tuya twavanoti tugara mbabvu twaisabata
zambiya raitotsvedza haro. Akatanga kungotaura tusina maturo hanzi building material achireva
ini nhai. Ndakamubvunza kuti aidei pamba pedu sei akauya asina kufona asi apa akandidirawo
rough hanzi "unonditi ndiuye ndafona ko pandinodzokera ndinofona here ". Akanditambidza
mazai aaive akabata, ndichingotendeuka akandijumha ndokundibata nemuchiuno umu hanzi
ndoda kiss. Ini apa ndaisakwanisa kunyatsorwisa nokuti ndaive ndakabata mazai. Pandakanzwa
muromo wake wasvika pane wangu ndakati nhasi ndotsiviwa kuruma kwandakamuita nezuro.
Ndakakanda mazai aye pasi akati warara. Hamheno chinhu chaive chakundibaya kuno kumasure
uku. Mumoyo mangu ndakangoti mwana uyu anofamba nepfuti nhai nekuti pakambourawa
munhu pamagirosa pedu mapurisa akauya akabairira pfuti pamabhande ematrouse avo
tikatodziona isu. Bradley aive anditsikirira paari zvine simba better ndaive ndakanga ndakatarisa
mberi dai ndaive ndakatarisa kwaari ndairwadziwa nemazamu apa aifemereka kuita semunhu
anga achimhanya. Ndakanzwa muromo wangu wakuzadzwa mate ndikati finish ndigorumwa
muromo here vanhu vanoti kudi apa pane vamwe mai vakarumwa ukaita mapiece maviri
kumaraini kwedu vachirwira murume. Ndakaita sendinokotamisa musoroso pandakaudzosa
kubva pasi ndakanyatsonzwa kuti guu zvine simba. Ndakanzwa kuti "mama kani Revai
wandikuvadza". Akandiregedza ini ndokumhanya ndichitsika nepamusoro pemazai aya
aingoerera nemba. Ndakanomira mberi kwaive nemigomo ndichitsvaka pekutiza napo kuti
ndiende panze. Bradley aingoyuwira akamira kudhuze nekumusuwo apa akabata muromo wake
neruoko rwekwaright. Rekwaleft aive akabata pashort pake sezvataiona vamwe vakomana
vachifamba vakaita kuchikoro uku vakabata nechepazip pavo. Ndakatoti heya kastyle aka ndeke
kuHarare kanoteedzerwa paWadzanai pedu apa. Bradley akaregedza muromo wake kudai
wanike ruoko rwake rwazara ropa apa aive arova serious isingaiti. Akafamba achida kuuya
pedyo neni ndikatiza nekune rimwe side ndokubuda panze. Bradley akatevera panze achingoti
"mira titaurirane" ini ndaifunga kuti pamwe anoda kundirova apa mhosva dzacho dzaive
dzawanda. Akaita seakumhanya achiuya kwandiri ndikaridza mhere ndichitiza ndichidzika
neroad yataienda nayo kutsime. Ndakatanga kufambisa apa chizambiya chasara kumba kunyara
kamini skirt kwakambopera ipapo. Bradley akatomboti "dzoka hako ini ndakuenda shaa handidi
usare uri ikoko unosangana nemabhinya". Aitopenga hake uyu mabhinya payi ipapa kutsime
kwandaingoenda ndega everyday. Pandakaona aramba akamira ini ndakanomira pane imwe
miti yaive yakapfumvutira. Ndakanzwa akufona ndikati pamwe akudaidza Bryan kuti azomutora
sezvo panze paive pasina mota. Pasina nguva ngani ndakaona mota yaiwanzofamba naMac
ichisvika paaive. Angela akatanga kufamba achiuya kwandaive ndaingonzwa achinzi aperera apo
pamiti iyo haana kumbodarika. Ndichakamira ipapo ndakaona Ayanda uyo anenge aitokwidza
achienda kuchikoro. Akazviona kuti ndaichema ndokutanga kufamba achiuya pandiri achida
kunzwa kuti ndaita sei. Ndakanokora mavhu ndichida kumudira asi akakurumidza kunzvenga.
Zvakamubhowa zvisingaiti akatanga kupopota "dai wangondisvibisa nhasi ndaikurova Revai
unedzungu risingaiti iwe" apa aifamba achiswedera pandaive. Angela akabva angosvikawo aa
mwana uyu tsvee kunoverenga nevamwe atove kuna Mac ummm chaaive akadyiswa chaive
chikuru. Iye anenge akatozviziva kuti tikaenda tese nanaMac tinganotaurirwa zvisina basa nekuti
ini ndaingoti chauya ndototaura hezvo ndakazovaratidza period. Angela akasvika
achindimbundira ini ndikati ndawedzera kuchema. Zvakatomunetsa kuti machemero aya asi
Bradley aitei mwana wevanhu. Kutondibvunza ndingataure akazondinyengerera ndikamuudza
zvese zvaive zvaiitika kuti aida kundiruma ,anofamba nepfuti plus paaindivinga after
ndamudhuma muromo ndaifunga kuti pamwe aida kundirova kaini saka ndakatomuudza Angela
kuti Bradley aida kundirova. Akandinyaradza Angela akati "Mac auya ariko kumota uko plus ini
ndiripo haambokurove tiripo handiti? "Ndakagutsurira musoro iye ndokuvaitira sign yekuti huyai.
Vakasvika pataive ummm ndakamboda kuseka zvaive zvaita muromo waBradley chero hembe
yake yaive yatove neturopa. Ndakatozogaya yangu yandakavaitira kwaChakonda ndikanzwa
kunyara. Mac akangosvikoti "ndeipi nines kurisei". Ndakangoti makadii ndokutotanga kufamba
tichidzokera kumba. Angela akazopinda mukitchen wanei hamusi kuita nemazai aye akatotanga
kucleaner. Mac naBradley vakanogara pachibench chaive chakavakirwa paimba yatairara. Ini
ndakabva ndapinda muya ndichida kuchinja ndikanzwa shasha dzichitaurirana. Bradley akati
"but blaz izvi hazviite izvi all the way from Harare kuvinga mavanga here. Revai
anozonyanyawo blaz nezuro akandiruma honai maoko aya". Ndakatombomira kuchinja ndikati
hoo mukomana uyu anozvinatsa ko ini waanogara achida kuruma plus nezuro wacho aida
kundibata mazamu angu anorwadza iwaya. Mac akazoti "Bee shamwari tenda mwari munin'ina
ini mukoma wako ndotoshuvira kuwana musikana asina chaanoziva sewako uyu.
Ndakambodanana neumwe aive form 3 ipapa asi iye zvino akatowanikwa hake. Ini ndaifara
ndichiti ndazvibatira chanana changu izvo kwani kaisanganisa madhara ese ane mashop
paWadzanai ipapa. Uyuwo Angela ndakangonyeperwawo hanzi ndakabatwa chibharo ndiri
mwana mudiki nxaa ungagoti kudii. Kungoti anoratidza kunzwisisa hake but kutaura chokwadi
kana ndikazodicider kuroora Angelaka wotoziva kuti ini mukoma wako andichafi
ndakambonzwawo chinonzi mhandara." Ummm ndakati zvakaoma nhaimi vasikana tinenge
tichiti tirikufadza vakomana izvo tirikuzvifumura. Take-take yaiitwa naAngela kuna Mac
yaitomubhowa iye achiti arikunatsa. Ndakazonzwa Mac oti "mafana ukasiyana naRevai
ungarwadzise moyo wangu mukadzi anoda wekuzorangarira masanganiro amakaita uye
zvinonakidza kuzozvitaura kana zvairema seizvozvi". Ndakazobuda hangu ndapfeka dress rangu
rebrown ndatozvipukuta pukuta ndakuonekerawo. Ndichipinda mukitchen ndakawana Angela
akutobika mazai 13 aakawana asara pane akaputsika achiti akanga anzwa Bradley achiti mainini
vaimada. Akavigira vana Mac mamwe panze ndokuzoisa mamwe muchilunch. Pakuenda
kumashops pakaita mutsurundundu ini ndisingadi. Akatombouya Bradley mumba achiti "babie
hande kani" asi ndakatotanga kuchema. Mac akazouya akati "mainini handei kani hapana
zvaanombokuitai". Ini ndainyanya kutya kurohwa kundibata ndaiziva kuti aive akutya.
Takazobuda mumba tikapinda mumota. Ini naMac takagara kumashure, Angela akanogara
kumberi naBradley aidriver. Angela akaburuka akanopa mainini mazai avo kuti ndibude door
rakaramba kuvhurika misodzi ikatanga kuerera apa Bradley aingondicheka neziso nepachiglass
chaive pedyo naye mberi ikoko. Angela achidzoka mota yakarohwa yakananga kumine.
Takaburuka tese ndokupinda mudining tikagara ini ndaive ndakangotsikitsira hangu pasi.
Pandaive ndakagara paive nebag raAngela remabook ndikaziva kuti abva kumba achiti arikuenda
kuchikoro. Bryan akazofonerwa vachida kuziva kuti aive kupi, iye akangoti ndiri around
mongozondifonera kana makundida. Angela akadhonza Mac ndokufamba vachinopinda mune
imwe imba yaive ine mubhedha wakanaka. Ndakauonazve paakavhura door ndakabva
ndaripotsera ziso kkk kusada kusarira. Pavakangovhara door ravo Bradley akabva auya pandaive
hanzi "puruzira pandakuvara papore ndiri kurwadziwa". Ndakamuignorer iye
achingonyengerera-nyengerera. Bradley akazonyatsoona kuti ndagadzikana nekuti ndaive
ndakutomupindura zvakanaka. Mai vake vakafona vachiti vanguva vabvirira kundifonera but
ndaive ndisingabati foni. Foni yaive yasara kumba ko ini zvekufamba nayo ndaimbozvifarira
here. Bradley akazondipa foni yake kuti nditaure navo ndakazvishingisa ndikati vangu anovati
mama wani. Ndakati makadii mama ii vakafara ende mai vaitaura zvinonakidza ivava vapedza
kutaura neni vakati "bye sweet " ndikati masweets aye here musha wese. Ndakati nechemumoyo
ndichabvunza Angela chete nezvazvo. Bradley akaratidza kufara kuti ndaive ndataura namai
vake chero kakunditya kaaive ava nako kanoratidza kuti kakabva kapera. Iye aifunga kuti
ndichati handichadi. Iye aive akuvara hake asi mhosva yaive yake nekuti ndiye akatanga moti
kana dai akandiruma handiti taide taitotaura zvimwe muromo wanosonwa kuchipatara uko.
Ndaiti ndikafunga kuti muromo wake wambosvika pane wangu ndainzwa kuti zharara muviri
wese.

Foni yaive naBradley ndiyo iya yakambodonha paya pakaona bete but nezvayaive waisatenda
yaive yanyatsonaka kuita sekuti haina kumbopwanyika. Akazotanga kundiratidza mafoto evanhu
vekumba kwavo apa mai vacho ummm kuita kamusikana aaa waitoti pamwe ndisisi vake. Baba
vacho yaiva ino hofori hamburamakaka chaiyo ndivo vaive vakapa vana Mac naBradley
mazibody because vakomana vacho vaivepo. Benhilda ndaimuziva hangu ndakazoona kamwe
kainzi Macia ummm aka kaive nemoto yoo kaifarira kutorwa kari pana baba kanenge
kaiyemawo futi aka. Pandaive ndakatowarairwa ndakabata foni ndakakaruka Bradley andibata
zamu rangu yoo ndakascreamer zvakavharira imba yese apa iye aiti "sorry imistake ndandichida
kutora foni ndikuratidze gogo vangu". Ndakarwadziwa apa Angela aive atouya anzwa noise.
Ndakasumuka ndakuda kubuda Bradley akamhanya akanovhara door achingoti "sorry babie
imistake". Ndakayuwira veduwe apa ndaingoti ndoda kuenda kumba Bradley aive
achizonyatsonditsiva. Angela akazoti ndigare pasi aida kupfeka mapush ake andiperekedze asi
Bradley....

End of chapter 21
Love you all��

Like our Facebook page


Meme books

WhatsApp links����

Meme books https://chat.whatsapp.com/C4GMb4xPebS5SaAShUADdC

Welcome to Meme books GRP 2 https://chat.whatsapp.com/H2Nhk27GAjO0WjKe0qhZka


Bragenavy: Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/7oehok6VGCnBPURWUOTCTe

Meme books 3 httpas://chat.whatsapp.com/GrqIhH8NEhQ20GrRqs1EF8

Meme books 4 https://chat.whatsapp.com/7TYlKj9vLEx8QvLpLG6Bwu

https://chat.whatsapp.com/EX1Z8TYz6v0Ft1kQ2fFN6I

*GAME OF LOVE*❤�

WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.... 22a

*#BRADLEY*

Nhai Reva...... Ummmmmm wandikuvadza sha usadaro.Ndakatarisa maoko angu wanikwe


rangova Ropa roga. Hey ndakafunga mupfungwa dzangu kuti asi zviya zvekuti Kune vasikana
vane varume vezviGobling zvikwambo ichokwadi chete. Maitiro aRevai akanga akundinyanyira
wena. Nezuro ndakatsemuka ruoko nekurumwa. Apa ndakange ndapiwa musoro ahhh kuita
semunhu anosvikirwa naDrogba kudaro ah kuita mutambi we soccer kunditsemura musoro
beheaded amana ndakarwadziwa kani. Ok Revai mira titaurirane sha. Pese apa ndaitotaura ndega.
Dzimwe pfungwa ndakanga ndakutofunga hangu Tania kana Rebecca nekuti it was too much
ndakanga ndakutoisa moyo wangu kumakoto chaiko nekuti pana Revai ndaitsvara hundi. Pese
pandaiedza kumumisa aisanzwa hake aitomhanya achinditiza hake. Kuti nditi aitya kurohwa
kana kuti chikwambo chandakanga ndofungira ndicho chaimupa kutiza hake. Ndakabudisa foni
yangu ndikafonera Mac akauya naAngie nekuti hondo yaRevai ka paitoda magweta kuti apindire
yaisakundika ndoga. Vachisvika Angie naMac hazvina kuti netsa ka ko naAngie zvaiita
kakinzwanana chaiko. Akazouya kwandaiva ndakamira naMac mukoma wangu. Iye akauya hake
naAngie tikadzokera kumba kwavo apo eish muromo wangu ka wakanga watorwadza apa
wazvimba ndakambopinda mumota ndichitarisa hey wanga waita wePitbull dog chairo. Ah
takatanga kutaura naMac ndakutofunga kusiya nezvaRevai nekuti ndakanga ndanzwa
nemavanga kani. Asi ahh Mac akarambisisa ndikamunzwa wena ko ndaigodii vana Mac vanga
vakura ka vaiziva. Ah ndakangoti saka kana zvakadaro ndichangoshinga asi musi
wandongomubata Revai ndoda kumudzidzisa leason for life. Takazopiwa mazai naAngie
tikapinda mumota takunosiira mai vake Revai sekuti vakanga vati vanonadawo. Tichisvika
pamusika ndakangovhura door kuti aAngie abude sezvo ndaiziva kuti wangu akangobuda chete
anonetsa kumudzosa muno pane vanhu apa ah ma1. Takasimudza mota takananga kumine ka ko
Mac aigara rinonzi den ka tichingosvika ndakafonera Bryn ko anga ambotenderera ka neimwe
mota *Jeep* iya yatakanga tauya nayo from Harare. Ko anga akuda Sarue big time ka. Ah
akangoti kana boss makundida munondiudza ndakangoona kuti Bryn ari pamushando chaipo.
Tichingogara ko team Mac naAngie vakasimuka vakapinda mumba wena ndikati yes magona
vachingoti mubdroom ndakatanga kuratidza Revai mapics hangu apo kwaiva kuda kuswedera
padhuze ka ko Revai wacho aisava munhu wekuitira dzungu ka. Ah takaratidzana mapics. Mom
vakazofona vakataura naye. Ndakafara achiti "makadii henyu mhamha" achingopedza
ndakamudzorera phone ari busy kuona mapics ini ndaitodongorera hangu nechepamuso pedress
rainge akapfeka,hey ndaingoona nice twumazamu ndikatoona kuti haasati abatwa thats why
achichema ndikati asi nhasi ndomabata chete. Ah ndakangodaridzawo ruoko nepazamu hey
munhu akajamba kunge arumwa nerize wena. Akaita noise yakabudisa Angie achimhanya.
Achida kunobuda ndakanovhara door ndichisofter babe.... Ah sorry babe sorry, akazoita steady
pakauya Angie apa Mac aingonditsinya. Ndikati ah nhasi kana handimusiyi.

Akazogara pasi asi ndaiona kuti munhu haana kugadzikana Angie akamboti rega ndikuperekedze
kumba ndikamuti ndichamuendesa kana ndakuda kuti aende. Ko hanty yaiva saturday here. Ko
hanty mudhara rushusho aisavako. Aiva kuSudan ka. saka ndakabatwa nepfungwa yekuti nhasi
ndorara kuno mangwana ndoswera kuno and vanaTania vachandisuwa ka ko Sunday mangwana
handiwaniki. Angie akadzokera mubedroom naMac wake ndakafunga kubata Revai ndorara
Naye asingadi. Ndikati aahh asi utsinye coz revai ndaimuda and ndaida muchato chaiwo.
Ndakatanga limits and favour kuti azive ndaiedza kuti anzwisise kani. Asi ndakazoona kuti
theory haishandi apa panotoda practical. Ndakalocker door rinoenda panze ndikaena
ndikashewedza Mac naAngie. Ndikati guys imbouyai mumbopanana kiss Revai akatarisa coz
arikuti ukuda kundiruma. "Ahhh mainini musagunga zvakadhakwa muchiti nemadiro anokuitai
angakurumai ahhhh." Akadaro Angie achiseka akabata Mac muchiuno. .."ko zvinouraya here
izvozvi mirai muone." ,,,, ahhh ndakaona uyu wangu achiratidza kushamisika. Ndikangoti
ukuona here vachiregedzana ndakati tione miromo yenyu kuti yapera here pamanga
muchidyanana. Ndakaona Revai atarisa pasi. Dzikama Revai handina chandinoita
chinokurwadza babe ndinokuda and handikukuvadzi zvauri kundiita izvi. Dady vari
kundikuvadza musana wese uyu nekurova,iwe wo ukundikuvadza wo nezuro wakandiruma nhasi
wakundipa nyanga kunge tiri mubhora amana. Muviri wangu wese angova mavanga. Uyuwo
moyo wangu uneronda futi rerudo. So ndichapora pazvipi nhai. Ndakaona pandaitaura kudai
Revai akatanga kupusa wena and i was deep deep inside my feelings coz the situation was too
much now. Ndakanobata ruoko rwarevai ndakarwusimudza ndakaona rwuchisimuka. Ahhh
ndakanzwa pamoyo pangu pachipinda kamhepo kemufaro kachitevera. Ndakanotsveta ruoko
rwake padama rangu ndikaona rwuchisara rwakanamirapo, mumoyo ndikati zvinenge
zvanzwikwa zvandataura apa. Ndakapedza nguva ndakadaro ndikati. Revai zvaunoona kudai
ukangopedza chikoro ndoda kuchata newe ufunge hako. Ndakabairira ziso rangu mukati chaimo
memoyo wake ndikaona mhenderekedzo dzemoyo waRevai dzichizadzwa nerudo. Ndikati
shuwa ukama igasva hunozadzikiswa nekudya, asi rudo igasva rwunozadziswa netwuudobo
udobo twemashoko. Ndakazosimudza ruoko rwangu rakananga padama rake Revai. Ndikanzwa
akudedera ndikavhunduka ndikati pamwe zvatanga kana kuti zvakuuya futi. Apa zvandaifunga
kuti zvatanga imhepo iya zve yekungoponda ponda ka. Ko hanty akanga anditanga ruoko
akandipa nyanga pamuromo ukakura kuita scoob doool.
Hazvina kundikasikira kuti ndifunge kuti Revai akanga anzwisisa chinonzi kiss nechinonzi
kuruma. Ndakati regai ndimubvunze inini aha ipapo ndopandakabhaiza manje.
Ndakanomubvunza wena ah hey. Ndakarwadziwa asi ndikafara futi nekuti akabva ati. " ahh dady
zvekukisser kwacho ikoko ngatisazviita nhasi". Ndakangoti ah why.,,,"ah tozozviita mangwana
nhasi ah kana. Iniwo semunhu anga achizivawo kwandakananga nemwana wevanhu ndakakasika
kunzwisisa ndikati. Revai usandinyara ndini murume wauchabvisira hembe dzese ini and i swear
handikusiye.... Ndakaona munhu akubata muromo wangu achichema. Ndokuti... "Sorry dady
bee." ... Instead yekuti ndidaire kuti hebo, ndakati ndiwe wakakodzerana neni usatya hako Revai
ndokuda zvakaipa. Ndine rudo rwune udzamu pauri mai Wilson.,,,, ehezve ko aiva iye mai
Wilson ka. Ko ndangariro dzinokunda fungidziro ka. Ndakaona munhu achikotamisa musoro
ndikati. 'Babe ndinoda urukwe ka and bvudzi rako rakanaka. Apo ndaiva ndakushaya nyaya ka
ko ndaikwata kurambwa. Coz Mac akanga andiudza kuti mhandara dzinonetsa kuwana. Neniwo
ndakanga ndati kubva zvandatosimawo moyo pamhandara yangu iyi ndotoiwana chete.
Ndakazonzwa munhu akubvunza wena. "Nhai dady bee ko pfuti munoiziva here." ,,,ehe babe
why wabvunza. Asi pane akakubudisira pfuti here. Kkkkkk ah Revai usadaro sha. Ungati
ndakubaya nepfuti kumashure kwako pandanga ndakakubata paya kkkkkk. Ah Revai ka
wakaoma moyo wako... Ah ndakanyara hangu kuseka kwanga kwangovawo kwekuvhara kuya.
Ndakazongoti ehe ndinayo pfuti. Ko ndaigoti ndamubaya nei. Zvakaoma shuwa chimusha
chakashata asi chakanaka saka Revai anga asati ambogumwa nepfuti shuwa ahhh saka ndapinda
shuwa rega Mac ati ichiri mhandara. Takazotaura hedu dzimwe nyaya asi Revai aingoti akatarisa
muromo wangu oti "sorry hako bee".

Pakapera chinguva chakati rebei ndakanzwa phone yangu yapinda whats app. Ndichitarisa
ndakaona Mac achiti. "Wadii ini ndapedza takubuda". Ndakati ok 5mins chete..sha Revai
ndokumbira wo kungoguma zamu rako babe ka1 chete. "Ah bee hazviiti anorwadza aya ayewa
kana usatombodaro hako.",,,, ndakanyengerera kusvika ati horaiti asi ndikarwadziwa zvapera
totorambana. Ndakanochinyatso zviita gently. Ummmm ndakanzwa munhu achifema kunge
anga achizodirwa mvura mumusoro manje kana kuti munhu arikubhabhatidzwa. Ndichimuguma
ndakaona kuti Ummmm zvingazoenderera ndakabva ndamusiya hangu. Takabva tatanga kutaura
akatarisa kuside asi ndaive ndakamubata ruoko. Mac naAngie vakazobuda havo. Tatogara
mumwe pake mumwe pake ko ainyara ka wangu uyu. Ndakazoti ah guys regai ndiperekedze
mumwe wangu. Pese apa bryn aisawanikwa wena. Ndakaona Angie achiti akatarisa Revai
onditarisa otarisa kuside asi waitoona kuti munhu ari kufa nekuseka hake. Takabuda paya
ndikanovhurira Mrs Wilson door remota vakapinda ndikavhara ndikanoponda wo kwangu.
Ndikaisimudaza *B.M.W* ko yaibvuma ka nguva diki diki ndakanga ndatosvika pamashops
paWadzi ka. Ndakamira hangu ndikatanga kupa mwana wevanhu mashoko ekukodza rudo kuti
rwuve rwurefu. Hona ka Revie babe mazuva ese aya ndaingoshuwa kuti ndizive kuti unofunga
sei asi nhasi ndinoda kukutenda nezvawangondiitira nhasi zvishoma pamaonero ako kana angu
asi parudo wandikudza wena. Ndikakutarisa babe ndinongoona kuti ndiwe wakaitwa sample
yevanhu kadzi babe. Wakasikwa Mwari vachida shuwa. Zvakazonzi vakadzi maruva enyika
kubva pauri iwe babe wangu. Unotobaya kana moyo yevamwe varume vakuru zvekuti
vanotoshuwa kuti dai iwe uri zera ravo vakunyenga. Asi ini hangu Bradley Wilson ndini ndaita a
first man to get luck. Ummmm thank you Lord. Ndichipedza kutaura izvi ndakaona kuti nhasi
mhodzi yerudo ndaidiridzira zvekuti yanyatsonzwa mvura. Ndakabva ndamubata musoro ndikati
not french kiss babe but baby kiss. Ndakaona kuti shasha yavharika apa. Ndikabva ndangoti
ummmmmm mwaaaa. Tichigumhanisa miromo. Ndakabva ndati ndoda kunokusiya pana mom
vedu ndikabuda mumota tikafamba takananga wena. Ah ini hangu pachangu ndakanyatsoona
kuti Revai aive anzwisisa manje. Kana pakufamba aifambira parefu neni asi ndaingonzwa kuti
ndikufamba nechigagairwa chemwana. Ko ah pakubatana ka. Ah zvaiva zvinhu kana mai ngaa
havasviki ipapa.

Ndakamhorosana namhamha vake ndikanomhorosa mai musomi. Takabva tadarika hedu


takananga kumba. Takabva tasangana nemumwe mukomana so asi mukomana iyeye ndakanga
ndambomuona kuseni achida kudirwa madhaka naRevai paaida kumubata time dzaakanditiza.
Takamhorosana achirakidza kundiremekedza zvinotonyadzisa. Ndakazonzwa akunzi... "hesi
Ayanda" akadaro Revai. ndikati ah nice kuziva iwe Ayanda. Takabva tadarika asi ndakaona kuti
Revai akanyara apa. Ndofunga inyaya yekuti Ayanda akanga ambomudira madhaka kuseni.
Takanosvika kumba kwanaRevai ndakabva ndatofonera bryn ndikamuudza kuti todzokera
kumba mangwana ndakagara naRevai nguva refu mai vake vakafona kuti huyai mutore muriwo.
Takanopiwa muriwo. Mai vake vakandibvunza kuti "unodyei mwanangu" apo ndakanga ndaona
dere pamusika pavo ndikati ndoda derere ah ndakaona kuti mai vaRevai havana kugutsikana. Ah
asi machain aiva muhuro mangu ndiwo arikudaro chiiko. Ndakazvishaya. Takapiwa derere
ndikatora mota tikaenda kumba kwanarevai. Rakazobikwa derere naRevai hii ndakanakirwa naro
wena. Tapedza kudya zvekuma7. Ndakaona shasha yatora Iphone yayo kwakutanga kundiflasher
maphotos. Ndakafara kuti shuwa babe anenge akunzwisisa. Takazonogara mumota kwekanguva
kakati rebei tichitadza kuparadzana. Takazoonekana ndatoona kuti mai vake vanogona
vakutotadza kuuya kumba nekuti ndiriko.

Revai ndakuenda babe chindipawo Kiss. "Nhai bee asi watorara ukamuka ahh iwe kani inga
ndati mangwana wani." Ok babe its fine ndakuenda. Bye.. Tonana mangwana usakanganwa kiss
yangu magwana hanty. Love you mwaa bye bye. ........ Ndakasimudza mota zvine moto nekufara
ndichingoti mangwanaaaaaaaaaaaàaaaaaaa......... ...............

*End of chapter.....22*

Love you all

Like use on fb
Bs braggnave sikaz book/stories
&
Meme books

Dankie

https://chat.whatsapp.com/EX1Z8TYz6v0Ft1kQ2fFN6I

*GAME OF LOVE*❤�
WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

*CHAPTER.... 22B*

*#BRADLEY*

Yesssss ah ndakaipa zve hey ndokunonzi kuzembera kwechikweme zve. Ndakatozoona


ndadarika pamba paMac. Ndakazviseka kuti maitiro akundiita rudo ka ummmmmmm.
Ndakadzoka ndikaenda hangu paden.
"Ah wadzoka asi wanga wakuda kuvata ikoko. Haaa bamunini mazopengeswa nerudo manje. Ko
kuzoti paachanyatso jaira musikana wako." Akadaro Mac achitondiseka. Ndakaona kuti ye
shuwa ndakutenderera brain. Ndikangoti nechemumoyo rudo rwaRevai dai Kuri Kurota ndaiti
dai ndikasamuka hangu. Pakanga paita kunonzi kuda munhu nemoyo wese. Kwete zvenhema
zvatakuona mazuvano izvi. Takatandara naMac kusvika kwasviba chaiko zvekuma
10.takazovata hedu. Ndichingobatwa nehope ndakanzwa foni yangu yarira mudining. Apo
ndakanga ndati zvendapedza kutaura nebabe paapp rega ndichisiya foni ichimboita moto.
Ndakasvika ndikaona ah number haisi yemuzim ndakamboda kusadaira hangu. Ndakazongoita
zvivindi asi ndakanga ndatonyumwa kare kuti hondo yakaenda kuSudan iya ndiyo chete
yafona....... Hello makadii henyu, ndiani anonetsa kudai kufona this time.... Ndakataura zvese
izvi pasina apindura. Ndakanzwa pahuro pachigadziriswa... "Hello son,where are you.",,,,,'ah
dady how are you? Am....am.....am....."ok is that true. Yesterday you didnt go to school kuno
studier why.",,,, ndakabvunzwa shasha yakadzikamira wena. Ah dady ndiri kumba kwamukoma
Mac... "Bradley pinda mumota now uende kumba now!!!",, akadaro mudhara Wilson ko
kutongera chitororo ndokwaiva kubasa kwake... Ah dad its late now, i can go tomorrow... "Said
now.",,,, ndakabva ndazadzwa nehasha ndikati ah maya ini mangwana kune official opening of
Revai's mouth. Uyu mudhara ondiudza kuti enda kumba. Ah kana... Ndakazopindura zvehasha.
Ah hazviiti kuti ndiende nhasi dady and its not fair. Good night dady. Ndakabva ndatokasika
kudroper call yacho. Ah ndakabva ndatopinzira mom. Ngrrrrrrr ngrrrrrrrr ngrrrrrrr ngrrrrrrrr.
"Hello Bee my son, is everything ok?." Vakadaro mom..... Ah mom kasi murume wenyu
ambofona here... Ndakabvunza ndine hasha.. "Ehe vafona dady vako vakataura naMarcia.",,, ok
mom its fine saka Marcia ndiye ataura kuti ndiri kuno. Mukatsiure kamwana kenyu shuwa
ndinokatyoratyora... Ndakazodroper call ndichinzwa mom vachimutsa Marcia.. Ndakazodzokera
kunorara hangu asi BP yanga yakwira mhani. Mac akazviona hake asi haana kuda kutaura
zvakawanda. Bryn ndiye akangoti "asi ndimudhara here?".... Ndakangogutsurira ndichivata
hangu... Takamuka makuseni hedu. Ndikatongoti ah nhasi ndofanira kukasika kutonoona babe.
Ndakageza faster ndikabuda kuma11 ndikananga kuwadzanai. Luck ndakaona babe ari pamusika
hake. Ndakasvikogara paya ndikanzwa babe achiti "wakasuwa nei nhaiwe dady ".. Ndakangoti
ah hapana babe, ko mom varipi.. "Ah ooh watanga kundibvunza zvisina basa iwe inga
ndakakuudza kuti homwe yavanokwana handina, asi ndivo vawavinga here vatsvake?",,,
ndakaseka hangu ndikati zvatanga now. Ndakanyarara hangu semunhu aiziva zvaarikuda
pamunhu wake. Ndakagara chinguva ndikaona uyu Sarue akuuya pamusika. "Hesi Mr Wilson.
How are you." Ndakadaira hangu ndichinyemwerera. Ko ndaigotadza nei ini hangu ndakanga
ndafarira kuti anenge akudanana naBryn nekuti Bryn akanga anonoka kudzoka. Zvisinei Sarue
akazobvunza Bryn hake. Tikataura nyaya hedu tichiseka. Ukuwo wangu aiseka hake asi kunyara
manje heyi. Mai varevai vakazouya pava paya kuma 3., takabva tatonzi "ah chiendai kumba
henyu." Ndikangoti mai ava vabva nepiko. Ndakabva ndati handei tinonosiya mota tiende kumba
netsoka. Ndakangoona mota dzakasvika 3 dzeblack ndakashaya kuti chii chikuitika. Ndakatanga
kutaura hangu naRevai zvangu... Revai ndipoo kiss sha ah amana usadaro kani... "ukumhanyirepi
Kuri kunaya here.ndonokupira kumba.",,,,, ndakafara Revai achiratidza kunzwisisa ipapo.
Ndakamutsa mota yangu ndakuda kusimuka ndakaona mota yeAir force ichisvika ichimira
pamberi pemota yangu... Ndakaona Revai achipusa. Ndakabva ndavhura door ndatoona kuti
mudhara Rushusho atumira imbwa dzake. Ah Revai enda kunamom. Ndakadaro ndichibudisa
Revai mumota. Ndakangoona Charles Body gaurd ramudhara achiuya kumota. Charles taimuti
Sparrow,pazita rekubasa. Sparrow akangosvika akati "am sorry Mr wilson. Pindai mumota
tiende". Hey whats going on. Chii chikuitika pano. All these cars dzauya kuzotora inini. Ndiri
mhondi here ini. Ndiri murudo ini not mbavha... Ndakazosara ndotaura apo vakomana vaitopiwa
maOrders naRushusho ari kuSudan ikoko. Ndakavhunduka ipapo vakomana vakaburuka mumota
dzeblack dziya ummmm mazuda. Ko maglass. Ndakapinda mumota iya yakanga yauya naChale.
Mumwe wevakomana vaivapo akabva atora yangu iya takananga kumine. Takanosiya mota
yaMac kuya kumine. Bryn akapinda mumota yatakanga tauya nayo. Mota dzakarohwa takananga
kuHarare. Izvi zvakaitika zvakasiya Shamva yese ichidedera. Takasvika kumba ndikapinda
mumba wena. Ndikachema sendichafa ndakachema veduwe. Ndakazotanga kutsanangurirwa
namom kuti pamba patoshata. Panevanhu vakatoiswa kuti vachengete pamba. Hey zvikanzi
ndaisafanira kana kufamba ndega. Ndakabva ndatotorerwa foni ndikangoti ah kana zviri
zvaRevai anondigona ngaatore mweya wandinofema. Hapana kuita nguva yakareba. Tania
akabva asvika. "Ah maswera sei mhamha". Mhamha havana kudaira wena. Akada kundimhorosa
ndikaramba ndakamutarisa hangu. Akazongobuda odzokera akunyara kunge ndiye ainzi imbwa
iri mubus. Ndakanopinda mumba mangu ndikavata asi hope hadzina kuuya. Kuti nditaure
naRevai ndakanga ndisisina foni. Ah ndakarwadziwa kani. Kuseni Monday ndakaenda kuchikoro
ndaiva neExam yeScience. Ndakanyora asi misodzi yaingodonhera pabepa rangu. Zvisinei
ndaingochema ndichingoti tichaona kuti zvichasvika kupi.

*Two weeks later*


Mudhara akazodzoka apo tapedza hedu kunyora zama. Achisvika mudhara haana kuita sekunge
ane zvaari kuziva aingonyepera kundifarira. Asi ndaingoti nechemumoyo imbwa yemunhu.
Takaita mazuva maviri namudhara ndikati maya rega ndichimuudza manje... "Dady takapedza
kunyora ka so ndokumbirawo kuenda Shamva mangwana kunoona musikana wangu... "Kkkkkk
are you out of your mind. Ah wakutopenga shuwa. Do you think am your friend. Hakuna munhu
achaenda kuShamva futi." Ndakati hoo kushamva ndokwandichaenda musingadi muchida.
Hapana anorambidza mumwe kuita zvaanoda ko imi pamakanyenga mom mai
makamborambidzwa nani kunyenga. Hey mbama yandakarohwa ndakafenda.... "Ah Bradie are
you ok" ndaionera kure apo vari mom vaitotaura neni... "Ndiri kupi. Ndakabvunza. "Uri mumba
muroom mako" .... Ko uyu ndiani. "Ava ndi doctor mwanangu.",,,,,, mai vakapindura asi misodzi
yaingoteuka. .. Doctor mukudei pano. "Ah young man relax ok. Ndakabva ndatoona kuti panga
pashata.... Ko Revai aripi. ndakabvunza mom nguva iyoyo vakabva vafonera Revai zvisinei
Revai akadaira. "Hello mwanangu ndi Bee arikuda kutaura newe.",,,, hello Re..va...i. Ndakufa
babie wa.....ngu.. Ndakataura izvi ndakanzwa Revai akubabaika. Hee hee Bee watii akazosara
otaura namom kusvika pakuzonzwa mom vakutii. "Hello ..... Hello my daughter are you
there.",,,,,,hapana akapindura. Ndakazoziva pava paya mom vafona zve pafoni yaRevai
ikadairwa namai vake... "Hello Makadii henyu".,,, "ndiani" vakadaro mai vangu. Ndipo
pandakanzwa simba ndakufunga kuti foni yaRevai yakudairwa nani. "Ndini mai vaRevai". ....
"Ok chishashe makadii henyu. Ndini mai vaBradley. Bradie arikurwara izvozvi haasi kugona
kutaura chaiko, saka ndanga ndichida kutaura nemuroora wangu kuti ndimuzivise. Asi
azongorega kudaira pandamuudza kuti bee arikurwara. Paazotaura naBee ndipo paabva arega
kupindura.",,, vakadaro mom vachirondedzera kuna mai vaRevai... "Ah zvakaoma chishashe
kana musikana wake tatove kuda kuenda kuchipatara ndangosvika akadonha pamusika.",,,
"what!!!!. Ah vakomana hey regai ndiuye ikoko kana Bee angova nani." .. Mom vachidroper foni
ndakakwakuka pabed ndikanobata mom. "Mom chii chaitika kuna Revai. If anything happens to
Revai mom i swear to God i will kill your husband i swear.... Mom mom mom mom mom
ndakasimuka ndikasandidzira doctor panze. Ndikachema. Ndakati mom handei
kushamva ,,,,,,,,now ...............,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,

*End of chapter.......22B*

Comments pliz

Love you all

*DANKIE*
Meme books https://chat.whatsapp.com/C4GMb4xPebS5SaAShUADdC

Welcome to Meme books GRP 2 https://chat.whatsapp.com/H2Nhk27GAjO0WjKe0qhZka

Meme books 3 httpas://chat.whatsapp.com/GrqIhH8NEhQ20GrRqs1EF8

Meme books 4 https://chat.whatsapp.com/7TYlKj9vLEx8QvLpLG6Bwu

Game of love �
Written by TSHIYIWE (Meme)GONDONGWE
&
B.S BRAGGNAVE. SIKAZ
�084 617 3754
064 179 1014
Chapter 23

Revai �
Bradley paakandirambidza kubuda mumba ndakabhoweka apa zamu raiita serabatwa nebhadhiza
nokuti majambiro aiita mombe kana yatsvanya ndoandakaita ipapo. Angie aida kundiperekedza
akadzokera hake mumba maive naMac ini ndikasara ndakandonyera karomo mumhino. Bradley
zvekunyengerera aiita seakaenda kucourse chero wanga wakasunga muromo sei waingokaruka
wasudzunuka. Mac naAngela vakazodanwa kuti vapanane kiss ummm kusaziva kufa ini ndaiti
vachatambidzana chinhu mumaoko wanikwe Angela atomonera Mac nemuchiuno umu. Zvaiitwa
naAngela izvi kuchechi kwedu aisapabuda pamagedhi . Aibatwa gwiti and aitoiswa pasi
peshamu. Vakanodhumanisa miromo yavo iiii kubva vaita kunamatirana chaiko zvekuti
ndakanyara ini plus nemanhuwiro anoita muromo vaisazobitirirwa here. Seni mangu mumuromo
ndaingombarangidza nechitanda chemushangura/muchekesani zvotofamba. Vana Angela
pavakangodzokera mubedroom mavo Bradley akagoti kudemba kuti ngatiitewo zvaitwa
nevamwe aaa zvakaoma. Muviri wangu aiwu vavarira zvisingaiti ,akatora ruoko rwangu
akarubatisa dama rake and ndakaziva kuti aitozviitira kuti agotsiva achindibatawo. Anenge aida
kuzoita kagame kedu kataiita kekuti tsvaru akazvara tivu. For sure akauyisawo ruoko rwake apa
rwaive rwakapfava rwuchinyerekedza. Ndakanzwa ndakubvunda like ndapindwa nechando
kutya kwakabva kwawedzera. Paakazotaura zvekiss ndakangoti mangwana kuti zvindibve.
Mangwana acho ndaizoona zvekuita futi zvichingodaro. Mashoko aMac aive apinda mumoyo
mangu akanogara kuti goo. Ini ndaive form 2 Bradley aive form 4 zvino yaaitaura iyoyo yekuti
ndokuroora pane chaibuda here apa. Baba vake akati havadi kunzwa nezvangu musiuya
waakatiratidza mavanga ake saka zvekumhanyiswa ini ndaisazvida. Ndozvekuzosakadzwa
nemupfuuri mangwana wozonyepa kuti ndakarepiwa. Kundida chaiko ndaizviona kuti aive
akaperera asi maybe aida kungotora umhandara hwacho hwachemerwa naMac ozowana kuudza
vamwe kuti ndakambodyawo. Mari yaive naBradley ndaigara ndichingozvibvunza kuti
anoiwanepi asi pandakazonzwa pfuti yaaive akaviga muhembe umwe moyo wakamboti pamwe
imbavha zvayo ende zvaisarambika nekuda kwebody yaBryan waaifamba naye. Moyo wangu
waiti bvunza nezvepfuti but how zvaindinetsa. Bradley vara rekunzi Daddy airifarira saka
ndakati regai ndiende neikoko kune weakness yake. Ndakanyatsoti daddy Bee pfuti munoiziva
here, iye akati "eeh babie ndokubasa kwamudhara wangu ikoko". Ndakanyatsoti yes
nechemumoyo moyo ndaida kuti kana ati yes oti ndinayo pano ndaibva ndamuti tione. Iye
akazomhanyira kundibvunza kuti wakaionepi ndikati ndainzwa pauri handiti wandibaya nayo
here kuseni. Ndakatozomuudza dzataive tamboona paWadzanai. Chakandinetsa ndechekuti iye
akaratidza kunyara chaiko zvekuti face yakaita kusvava sedomasi rakaora. Akazomhanyira
kuchinja nyaya asisadi kutaura yandaive ndatanga. Bradley aive neutsinye hake kuna Angela
ugoona Angela wacho aive achimufarira zvisingaiti aiti akangonzwa chaitika kwaari aimhanya
but iye Bradley paakanzwa Angela achichema mumbamo akatotanga kuwedzera volume
achitaurira padenga kuti ndisanzwa. Manje ini ndaive ndasiti kwanga nzeve ndichida kunzwa
kuti iye Mac anonyebera kuita imbwa nyoro iye akangofanana naManu akarova Saru hembe
ikasara yaita green. Mac anenge aitswinya kana kuita zvekuruma Angela because handina
kumbonzwa kuti kwaa kwaa kuya kunoita mambama kana shamhu. Iye aichema hake zvishoma
pane kuti dai akatoti maihwee pamwe Bradley angadai akamhanya kunobata. Pasina nguva
ndakaona pafoni paBradley pachipinda message kamoyo kekutya kutorerwa muface kakandibata
ndaiti pamwe yabva kuvasikana ndobva ndakanda ziso zvineutsotsi mukati ndikaona iri message
yaMac "ndapedza younger ko iwe". Umm ndakangoti zvakaoma saka pamwe kuuya kwataita
kuno tange tichifanira kuzorohwa tese. Seni ndaive ndatodedha munhu mhosva yaitove hombe
asi manje pano ndopavaiona kuti chero mine yese yaidengenyeka. Ndaivaridzira mhere yaiturura
makonzo mudenga remba. Yakazotangazve nyaya yemazamu nhaimi kukama munhu mukaka
kunovaraidzei aaa plus ini angu aitorwadza zvawo. Ndakazobvuma hangu but ndainyara ini.
Akamboda kupinza ruoko muhembe ndikaramba,ummm akazonyatsondipuruzira ikoko hakusi
kubata akanyatsoita zvine care mukati. Ndakangoerekana ndatsinzina maziso apa nyama
dzangu dzakagwinha. Zvandakanzwa ipapo zvaida dzokororo chaiyo. Ndakangoti kana
kurumana kwacho kuchidaika umm bvaa tumutapi-tapi tumutorogodo. Ndakatozonzwa kuti
ndaive ndakufemereka Bradley atondiregedza nekuti ndakatura zikubefu i think avo vairwa
mumba vakazvinzwa chete. Pandakatura befu nyadzi dzese dzakabva dzadzoka ndakashaya
pekupinda. Ndaive ndongoti hatichienda here ndibve mazviri plus umwe moyo waiti wabvumirei
kubatwa zamu munhu uyu haachatoregi. Pakavhurwa door ranaAngela ndakanyatsosimudza
chiso ndichida kuona kana aizobuda achichema kana kuratidza kusuwa asi aitove happy happy
ndikangoti vamwe vanhu havana moyo chokwadi. Matarisiro aaitiita aingoratidza chete kuti
aitiseka tese naBradley.
Takazoenda naBradley tikambono parker pamashops patakazosara toburuka mumota taive
tatombogumhanisa miromo hamheno aizviitirei isu taingoteedzera.

Bradley aisadada hake ndozvaive akanakira. Paakanzi anoda kunodyei akatonyatsoti derere.
Ndakanoribika akadya zviye zvekunyatsorifarira chaiko ,ini ndakangoti ndakaguta ko
ndainyarazve kudya aripo. Ndakatangirira kumutora mafoto achiri kudya sadza chaiko apa
rimwe derere aiita rekumwa zvakangondiitira fun hangu. Ndaida kuzomutumira mafoto ake
adzokera kwaMac sezvo aiti aisadzokera kuHarare musi wakare. Akazoenda hake but hamheno
zvandaingonzwaso kana Bradley aenda kuti nditi kumufunga zvaindinetsa kuti nditi ndarasikirwa
aa ndaisanzwisisa. Huvepo hwake haiita like arikufamba muropa rangu.
Mangwana acho takaenda kumusika namainini apa hana yangu yairova ndichingoti dai
akakanganwa zvekiss yaaitaura nezuro. Ndakazotumwa kunotsvaka change namainini
ndikambogarirwa garirwa nevamwe vakomana mune imwe shop. Vaive 3 umwe neumwe wavo
achiti chimoko ndechangu ,ndakatozowana mukana wekubuda vakutoita kakukonana
vachisundidzirana kuda kutorwa chaiko. Pandakadzokera kwaive namainini ndakawana Bradley
atondimirira. Takapinda mumota takuda kuenda kumba apa ndaingoti nhasi zvangu kiss iyoiya
yakarebwa hamheno ikoko. Tisati tambodii pakasvika anomazipango emota akabva angokomba
mota yaBradley ndakarohwa nehana. Bradley akangokwanisa kuti "Revai enda kuna mama"
ndikatoziva kuti pashata. Bradley aive asisambondidani achiti Revai saka apa zvakatondishamisa
ndikatonyatsove nechokwadi kuti something is wrong. Mota dzakarova pasi dzakananga kumine
apa chitarisa uno vanhu zvavaive vaita kuungana. Vamwe vaideedzera kuti pabatwa mbavha
vamwe vakati mhondi. Vanhu vatema hatitani kubatanidza zvinhu varume vakatora Bradley
havana kumbotaura nevanhu asi vanhu zvavaive vakutaura waitoshaya shumo yazvo.
Ndakanogara pamusika pamainini vangu ndikatanga kuchema. Ndainzwa moyo wangu uchiita
sewabaiwa netsono plus umwe wevarume ivavo aive nezipfuti ziguru saka zvaisarambika kuti
Bradley imbavha worse part of it iye aive nayo. Zvake zvekuti baba vangu ndobasa kwavo
zvaive zvatobuda mandir I. Ndakatanga kubatanidza zvaiitwa naBradley zvekungokusha mari
pese pese ,mota aingochinjanisa ndikatonzwa umwe moyo uchiti ndomaarmed robbers but
kamwe kamoyo kaitokonya kachiti noo mabasa aitaurwa anoitwa nevabereki vaBradley
ndeepamusoro. Ndakachema veduwee ndakangotsikitsira chero pakadarika mota dzoenda
dzichibva kumine handina kumbodzitarira. Vana mai Musomi vakazoti voadhinda mapepa
ndakapererwa ini ndikati mai ava nemadyiro avakaita mari yaBradley nhasi vomudai. Mugoona
ndakamuudza asi kuda akangofunga kuti ndinopenga. Ini ndakazvarirwa pabarika saka
ndaitozviziva kuti hapana munhu anoda cheumwe chichinaka. Mainini vakazoti
"usanyanyofunga nezvazvo mwanangu ndoyatinoti miyedzo kana vanhu vari murudo".
Ndakazokwesvaira ndichienda kumba apa nyadzi dzekunjonjovedziwa nana mai Musomi
dzaindikurira. Ndakaswera ndichichema apa foni ndakangobata ndichiti pamwe Bradley achaisa
message kana kufona but rakangodoka zuva. Ndaiti kana ndoda kunyarara ndainzwa kamunhu
kaindizevezera kuti chema ndaibva ndaita kuwedzera chaiko.
Mainini vakazouya vakandinyaradza tikatombotryer kufona asi foni yake yaisaita.

Takagara mazuva achifamba ndaive ndakutoenda ndichijaira kuti naBradley hapasisina iripo.
Kuchikoro taive tatovhara tamirira kuzoenda kuform 3. KwaChakonda handina kumboenda
ndaitya kunowanikwa saka ndaingogara namainini vangu ndakuenda kumusika full. Vakomana
vaingoswera riribesanwa pandiri asi ndaisacheuka muridzo weshiri zvangu. Umwe musi
ndakatogara pamusika ndichiona mafoto edu naBradley foni yangu yakarira hana yangu ikarova
kuita seichabuda. Ndakaidaira ndikanzwa vari mai vaBradley vaitaura asi vaive nekakusuwa
muvoice ravo. Pavakangoti "Bradley AAA.." Hana yangu yakaita kukwakuka nekutya hapana
chandakazoziva kunze kwekumuka mama vangu namainini vari paside pebed muchipata.
Ndakazoona Mac naAngela vachipinda vakabata chikafu. Ko Angela aive akauya rini nekuti
takanzwa kuti paakapedza kunyora akaenda kuHarare kwaishanda baba vake. Ndakaedza
kurangarira kuti chii chaitika asi ndakatadza. Pandakada kuti nditaure Mac akati "relax ninez
Bradley is fine". Vana mama vaingochema uyuwo Angela zvinyaduri zvaive zvatojenga
mumaziso. Ndakachizotanga kuchema manje zvekuti vanhu vese vakapererwa. Machemero
andakaita ipapo akasiya Mac asisazive zvekuita akatongozokumbira kuti ndibaiwe injection
ndirare. Pasina nguva ndakanzwa dzandiremba hope ndikabva ndarara hangu. Pandakazomuka
kuma1 ndakashamisika musoro wangu uri pamakumbo aBradley ndikati yoo ko ava vekujeri
vasvika nguvai. Bradley misodzi yaingoerera hamheno chaichemiwa. Kkkkkk iniwo manyawi
hanzi hamheno chaichemiwa asi ini ndakachemawo wani, saka taichemerana. Ndakada kuti
ndimuke ndibve pamakumbo ake asi akaramba akandibata kuti ndisabva. Ndakanzwa akuti "
mom amuka". Vanhu vese vakapinda ndokusvika vachindikomberana iyo mibvunzo ndaitoshaya
kuti ndopindura upi. Mai vaBradley vakazokumbira kusara neni tiri2 ,ukuwo mwana wavo
airamba kubuda. Ndakatozonzwa kuti akarambira manurse futi paakanzi abude ini
ndimbonyatsorara. Akazobvuma pakanzi "5minutes only ,you will be back my boy". Akabuda
Bradley akasiya atiMxaaaaa pahuma pamai vake chero Mac akadaro futi ndokubuda.
Ndaingonyengererwa namai Wilson ii vaitondiita semwana wavo. Vakandiudza kuti vanhu vaive
vauya kuzotora Bradley vaive vanani uye kuti haana kumbenge asungwa sezvandaive ndavaudza
pavakandibvunza kuti chii chaive chandifendesa. Five minutes dzichikwana Bradley akadzoka
akati " mom please dzakwana" ivowo vakati "3 more please". Akabuda hake asi akafinhukana.
Takazopedza kutaura vakandipfumbatidza $200 mumaoko vakabuda. Bradley akadzoka
ndokusvika pandiri akarova serious. Akasviko bata matama angu nemaoko ese apa akanditarisa
kuti ndee apa ndaive ndongonyara. Akatanga kuswededza chiso chake kwandiri ndikati maybe
pane zvaaida kundizevezera. Paakati achinoruma muromo wangu takanzwa sound yaiti hwii hwii
hwiii panze. Akandiregedza matama angu ndokundisimudza akamhanya neni kuroom yadoctor.
Akangovaudza kuti " muhwandisei muno ozobuda kana taenda". Ndakasara ndiri confused asi
hana haina kumbonyanya kurova. Paakabuda akasiya andipfekera $200 muhembe. Panzewo mai
vaBradley vakangoti kunana mama "itai semusingatizivi otherwise mungapinda pacross fire".
Bradley akadarika achiudza vana mama kuti ndaive muroom madoctor. Mari vakapiwawo
hamheno kuti marii. Vana mama vakazopinda ndikati ndoda kuenda kumba handichadi
zvemuchipatara. Takaperekedzwa naMac uyo aingotura befu. Akanotisiya hake ndokudzokera
nesvovi yake. Ndakaseka hangu manheru pakanzi vakadzi vababa vangu vaiti ndiri kurwara
nhumbu. Pandakadonha mainini vakaraira kombi yaienda kwaChakonda kuti ndaive ndarwara
ndozvakaita kuti mama vakasike kuuya nekuti yakabva yatonouya nayo pakarepo.
Vakazondiudzawo kuti mai Bradley vakanga vasiya vavaudza kuti " musambobatikana
nezvirikuitika izvi. Ndozvinoitwa vanhu vari muhurumende"
Mai vangu vaiti vavekutya kuti nyaya iyi ikaziikanwa nababa vangu hamheno. Tichakagara
kudaro foni yangu yakarira ndikaidaira ndichiti maybe ndiBradley. Ndakanzwa zivoice raiti...

End of chapter 23.


Love you����
Like our Facebook page
Meme books

Vanoda kupinda mugrp reApp kandai number kubox

*GAME OF LOVE*❤�

WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.... 24

*#BRADLEY*��

Mudhara achingonditsemura zenya akabva aridza matyre achienda hake. Ko hanty mom vanga
vatofonerana mai vaRevai kuShamva. Saka ndakashandisa rudo rwaiva namai vedu pavana vavo.
Ko mom was different namudhara Rushusho. Takabuda takananga kuShamva mom ndivo
vaitorova mota. Ko mom mota chete vaibata zvinoshura. Takangoita 80minutes takanga
tatopinda paShamva hosptal. Asi mom vakaoma wena vaitoita sevainyumwa so vaingoti Bee I'm
smelling danger. Takangosvika takananga mukati tikaona ah Mac naAngela vatorimo wena.
Zvagulez vangu zvaikunda ngoma kurira apa blaz Mac vakatondifonera vachiti ndombozorodza
musana Angela haapo. Vaitoti mwana akaoma iyeyu hamheno zvaanoita anoita seane guyu
rekuda murume. Ini ndakangoti maybe hamusi kumusvitsa ikoko kwazvakarehwa. Ndakatoona
kuti ini ndaive nani nekangu aka kaibhibhidla hazvizodiwo kuti babie rimhanyire mberi
kwemuface. Hapana kumhoreswa munhu ko ziso rangu ranga rakananga kunaRevai. Mainini
vake vaivapo nemumwe mukadzi wandakazoziva pamaIntroduction kuti ndivo mai vaiva
vakatakura mimba yavakapona svusvura ndadya yangu yandainge ndakapikira kufira kana
kuuraya angava ani zvake anoda kundipesanisa nayo. Especially Rue. Not runyararo kana
ruvimbo ayewa asi rue- rushusho.ndakaona chisionekwi humhandara hwamai. Revai aiva akati
tasa sembeva yafira pasi periva. Ini ndaiti maybe haasati ambomukazve izvo kwani aive
azorodziwa hake. Ndakananga kumusoro ko ndiko ka kwaiva nemuromo wandaishuwa kudyawo
hangu asi zvichikona n'anga murapwa achida. Ndakamboda kuusvisvina muromo iwoyo but
ndakazoti ndoda wakasvinura mudiwa wangu handidi kukujumha sezvandakamboita zamu rangu.
Zvisinei ndakangoita matakadya kare haanyaradzi mwana. Inga vakuru vakataura kare kuti
ndangariro dzinorwadza kukunda fungidziro. Zvese izvi yaiva bvenge bvenge mukadehenya
kangu huri huropi nepfungwa zviri kuitisana nharo zvinova izvo zvakasakisa kuti nditange
kungobudisa misodzi. Deve remisodzi rakava hova dzemisodzi ndakaisa wangu musikana
pamakumbo. Iyeka mukunda wekwaDhingongo kureva Revie. Ndiri pakati pekuteusa misodzi so
ndakanzwa kugwinha kwenyama yaRevai kuratidza kuti pane zvaitika. Ndakangopukuta dzihwa
rakasangana nemisodzi netisue randakanga ndatambidzwa namom. Ahh ndiri kuona here kana
kuti ndiri kuzvirotera masikati ano inindakagara. Ndakaona ah baa maziso Revai akanditarisa.
ndakanzwa shasha kuti irikuda kumuka ini ndikati bodo haumuki zvekumanya.
Ndakangoerekana ndati.' mom amuka!!!',, mom vakaswedera pedy vakaona shuwa amuka
vakatanga kumupinza ruoko muhembe nemuhapwa umu vakati "ari right, asi anoda a little bit
rest" ko mom hanty ndokwaiva kubasa kwavo zve. Ko doctor akazosara ouya isu takutoziva
zviripo kare. Nyaya yakazonetsa manje ndava kunzi imboendai panze apo mom vaida kusara
naye vari two,. Ahhh apondipo pandakatsika madziro ndikati bodo. Ndiendepi ko hanty murwere
wacho ndewangu ah kana. Asi ndakazokumbirwa namom naMac vakati 5minutes. Ndiri panze
ndakatadza kuvimba namom ndikati havangangobatwa nemweya waaaa uyu, uyu rue-rushusho
ka. Asi ndakazongoti ah kana mom vanoda Revai kana ini vanondida. 5mins dzichingopera
ndakadzokera mukati muya, apo ndaiva ndakaita kutarisa pawatch chaipo ko hanty fone yakanga
yahwerengurwa naiyeye wacho ane zita rake rinotondisvota. Kuti nditi ndiye baba vangu
zvaindirambira. ndaingoti ah maybe ini ndirimubva ndiripo hangu. Nekuti zvanga zvakaoma
zvaiva pana dady vangu. Ko Mac vanga vasina basa naye nekuti aizvishandira basa rake hake.
Mom pandakapinda vakabva vati 3more mins son. Ndakadzokera hangu panze asi moyo wanga
worwadza kana kumira ndakanga ndisisakwanisi. Ndakazodzokera ndikaona mom vachibva
paari. Ndakasviko bata matama aRevai ko twukomba twaiva mumatama akezve
ndotwaindipedza ndaitofunga kuti pamwe ndikamabata matama iwawo ndichanzwa maoko angu
achiwira mutwukomba. Ndakazongoti regai ndichikisser munhu wangu since zvekuuya
kuShamva zvakanga zvotoita sekuda kunetsa. Ndakdzisa musoro wangu ndakanangisa muromo
wangu pane waRevai ndakutonogumanisa ndakanzwa sound yandisina kunzwisisa panze. Hwii
hwiii hwiii hwiii hwii. Ndakatoziva kuti hakuna mumwe. Ndakasimudza wangu mukadzi naye
muroom madoctor. Doctor vakatomboti."hey whats going o....." ... Shhhh doctor munomubudisa
ndaenda. ndakati ndakuda kunobuda ndakasangana namai vaRevai vachinzunzutira.
Ndakangovati endai muroom madoctor. Asi chero zvikadii hatizivani. Tichingonobuda panze
ndakaona yoo mudhara atevera apa ane convoy, vakomana vaisatomboseka. Ini
ndakangonzi."Bradie go home." Ndakuda kunopinda kumota yamom ko ndiyo yatakanga tauya
nayo. Ndakazvuzvurudzwa Naye mudhara Rushusho takananga neni kumota yake. Ndakamboda
kuita nharo but voice randakataurirwa naro raiita semabhanan'ana munzeve dzangu. Mota
dzakasimudzwa yamom iri pamberi dzimwe dzese dzichitevera shure. Tichinosvoka kumba
vakomana vakanga vatorwa kubasa vakabva varova Pasi... "Dady vakavava zvandisina
kunzwisisa zvekuti chakanga chasara kungobudisa pfuti vondipfura havo. Ndakaita sekunge
ndichatsengwa tsengwa. Apa zvaingonzi. "Chero uchida usingadi Tania ndiye wauchaisa pano.
Hakuna tsvina ichabva kwabvukururu uko kuuya pamba pangu. Kungava kwaMazvihwa kana
kwaBushu never ndadaro ini Richard Wilson. Waiti ukanzwa mudhara wangu azvidana nezita
rake chairowaitonzwa kuti nhasi hapana chakanaka. Pakavaviwa zvekuti Ben na Marcia
vakanovata chaiko. Ndakaona mom vakuchema vakademba. Ngaisiye matambo museyamwa.
Musadaro kani mhofu yemukono. Ah kwakava kurovera museve padombo, ko iyeyu Rich
akadhiniwa aimbonzwa here. Pakati papopotwa ndakanzwa mai vatondipandukira panguva iyoyo.
Kana vaiitira kuti zvipere here zvaiva zvavo mumoyo mavo.. "Ah newewo Bradie unzwewo
zvinoda baba pamwe pane zvimwe zvavakaona pana Tania. Ndakangoti nxaa ndichisimuka
hangu. Kozita rekuti Tania ndaiti ndikarinzwa ndaifunga kuti parikutonzi danana nebete. Ko
mavengero andakaita bete nemavengero andakanga ndakaita Tania zvaiienderana.
Ndichinopinda mumba mangu ndakanzwa. zvichinzi "am going to kill Bradie.
Handingatambudzwi nemwana wandakachengeta kubva ari muchiuno changu. Handingashuwi
kuti dai ndakamurasa muchipepa hangu." .ndakada kuti ndibude ndinomuudza kuti dai neni
ndaiziva kuti ndiri muchiuno mebenzi ndingadai ndakabuda pamakarota muchirara nemusikana.
Ndakabitirirwa zvekuti ndakashaya zvekuita, ndakachema mhere yakakomba iya mhere inobva
pasi pemoyo. Kuita sekunge ndatonzi. "Revai afa.",,,, ndakaona mom vachipinda handina kana
kuvatanga nekuda kwemashoko avakanga varutsa ekuti. "Bradie ita zvataura baba vako
mwanangu.",,, mom vakasvika vachiti. "Bee baba vako ndibaba vako." .... Vasati vapedza
ndakavagama ndikati. 'Nyon'o wako ndinyon'o wako. Nxaa shame, nemiwo matoenda kudivi
remunhu anopenga. Endai munopengera kwamakaroiwa. Nxaa',,,, panguva iyi ndakanga
ndatonzwa kuti nhasi mavhunze erufu adirwa mumoyo mangu. Wakamborwadziwa zvekuti
unofunga kuti kufa kurinani. Nguva iyoyo ndakasimuka pabed ndichibuda ndakananga mudining.
Kunochema ndakatarisana naRichard wilson wacho. Ko zvaionekwa nani izvozvo. Ndakatoita
sekunge ndiri kumuimbira , ah hakuna moyo wakashata kudai. Kuita kunze kwemusha kwemoyo.
Ndakaona achisimudza foni yangu ndakashaya kuti anodei. Akandiflasha photo ndichichema
ndakatadza kuziva kuti zvarevei. apa mai vangu vaingonditeverera iwe. Asi ndanga ndisisina
kana basa navo. Ndakaona shasha ichiisa phone yangu panzeve.. Ndakanzwa chinguvana. "Hello
honey" ndakaona munhu avhura ziso ndofunga anga agamwa nedemo remashoko. Apa
ndakatozviziva kuti arikufonera Revai. Ko hanty anga ati hny. Ko number yakanga yakanzi hny
ndeya Revai chete. "Ah ok i want to tell you this, leave my son Bradley Wilson alone you,
vagrant.",,, ndakanzwa hasha ndikada kusimuka kunobvuta foni yangu asi. Mom vakandibata.
Ndakavirima mudhara achitaura zvaanoda kuna Revai. Ndakazoona shasha ichitanga kuseka
zvayo. Ko ndakamboziva kuti yaisekei. Yakagadzika phone paTable kwakuturika mazondo ayo
pamusoro peTable. Kwakutanga kutonwa havo wine. Ndakangoti chero zvikadii ndinomutora
chete. Iyi yakanga yatova tsoro chaiyo. Takazovata kwakuma 3 kunze kwoedza ndakabuda panze
ndikatoona aizve nyamatsatsi yatovheneka zvayo. Ndakabva ndadzokera ndakananga muroom
mangu kunorara asi hope dzingauya here. Ah hamawe munotsunzunya makuvata imi kugarika
uko. Ukanyatso shungurudzika unoita kurara wakavhura ziso serushuro.

Takazomutswa mangwanani tese tikanzi."munhu wese ari pano pamba ngaauye mudining.
Madrivers ari matatu akadanwa ipapo. Mabody guards vakadanwa ipapo. "Ndoda kutanga
naBryn. Unofunga kuti iwewe ungatsvakira mwana wangu musikana ini dady vake ndisingadi.
Manje nhasi zvapera hunza phone yako." Ndakaona Bryn achipusa kudarika imbwa iri mubus
iya. Akabva atambidza mudhara phoni yake. Apo mudhara anga akatogara kuside kuOven
achidziya moto hake. Ndakaona s4 Samsung, ichinyungudika iri mumoto. Zvikanzi chibva pano
enda unorongedza twako twese. Bryn akamboda kupfugama kuna mudhara, asi zvakashaya basa.
"Sparrow take this dog away from my sight.",, ko ana Charles sparrow ndokwavaidanwa
vachidaira zve. Bryn akazorembera mumhepo akabatwa nasparrow achinokandwa panze. Bhuga
enda unomirira Bryn achirongedza ndoda abude gate rangu in 2mins time. Ndakangoti
nechemumoyo ah vangatuma Bhuga. Apa Bhuga iri best friend yaBryn. Takasara paya masystem
akachinjwa chinjwa. Zvikanzi. "Munhu nemunhu pa Duty rake.

Takazobva paya ndikabuda panze hangu, ndaiitira kuzoti Bye kuna Bryn. Ndakaona Bhuga
achisimuka naBryn mota *UD 390*, yainge yakazara ndakashewedzera kuna Bryn. '''''Because of
me Bryn, u lose your job. Thank you man for the days we have been together. I will keep you in
my mind untill the day i will overcome all these calamities. Bryn i promise i will do something
for you my man."""ndakaona Bryn achijenga misodzi muzvikope zvamaziso ake in yangu
yaitoyerera kare. Ndakabatwa namom ndichidzoswa mumba. Ko iye rue-rushusho aitogadzirira
hake kuenda kubasa. Avawo mom vakanga vatoti nhasi handiendi hangu.
Ndakarwadziwa nekuparadzana naBryn semarwadzirwo andakaita nekuparadzaniswa naRevai.
Takangosara musha wakangoita sewafirwa nepo kwaani munhu 1 akanga akapiwa simba rekunzi
baba ndiye akanga otitambudza. Akapera mazuva matatu ndakadzoserwa phone yangu ko
ndazivei hangu. Kuti ine zvayatotwa itori patracker ese macalls andaiita aitosvika nekuna dady
rue. Same applies nekumota dzaive dzakatosotwa kare that's why takateverwa paya kuShamva.
Ndakati rimwe zuva regai hangu nditore number yaRevai kufoni yamhamha nditaure hangu naye.
Ndakapedza kutaura naRevai zvakanaka naka. Ndakaona shasha yauya manheru. Zvikanzi.
"ukaramba uchitaura netsvina yako yekushamva iyoyo hauchazoiti phone futi." Zvakandinetsa
mumoyo mangu kuti vaudzwa nani. Asi mumoyo mangu ndakangoti ndiMarcia ne kuti
pandakafona vaivapo. Ndakazoti ah manje kugona mbavha kuirongera. Ndakazonofona ndiri
mugarage chaimo. Hello, Revai Revai. Shhhhhh nyarara babe ndinouya kuzokutora tiende kure
kusingasviki vavengi wanzwa. Ndakataura naRevai mashoko aya mushure mekunge ndafona
achibva atanga kuchema. Ndakazoudzana naRevai kuti ndinouya weekend manheru.
Ndakaswera musi iwowo ndichipa guard wepagate mari nechikafu. Apa ndaiitira kuti weekend
ndiwane kubuda usiku. Shasha ichibva kubasa yakangosvika ichiti."hauna zvaunoronga
ndikasazviziva.".. Ndakanyepera kusekerera ndichiti ayewa kana Dady handina zvandiri kuronga
musafungira henyu. Shasha yakabva yaseka ndikati ndabudirira. Ka

Mazuva matatu akadarika ndisingadi kana kufonera Revai. Ndaizvibvunza kuti saka mudhara ari
kuziva sei kuti ndiri kufona.

*BhUGA THE BODYGUARD*


Ndakadeedzwa namudhara Wilson akandiudza kuti aive ane madhiri aaida kuti ndimuitire. Apa
ndini ndanga ndave boss ndakatomuudza kuti mudhara madhiri toita but first of all ndiudze kuti
why. Mudhara akazoti "Bhuga unoona baba vaTania ava vakamira neni pane zvakawanda.
Ndaidei ndakadzingwa basa karee nekutosungwa pamusoro pazvo asi vakandirwira handizivi
kuti minamato yavo kana chii asi chandinongoziva ndechekuti vakandibatsira tikawirirana kuti
ndichaita tisunge ukama pakati pedu. Handiti unoona Bradley ndiye mukomana mudiki so 70%
yeupfumi hwangu ndeyake saka ndoda aidye nemwana waPastor. Ndakabuditsa pfuti zhinji
ndichitengesa paMozambique apaa zvikanetsa kubasa but baba Tania vakangoti its over. Manje
sezvo ndakamboti Bradley atore Tania kuti ndichiti Mac now hazviiti handiti unoona. Manje
Bradley ndandichida kuti akangowirirana naTania chero nhasi votoroorana zvechikoro anoita
vatove vese once angoita mwana zvenge zvatofamba". Mudhara saka moda ndiite sei manje?
"Bhuga i want you to eliminate that useless girl kekuShamva ndokupa chero chaunoda and
unofanira kuzviita fast because Bee arikuda kutonokatora otiza nako. Bee ndomuziva anozviita
and ndakaita mistake yekuisa mari yakawandisa muaccount make". Takazopedza kutaurirana
ndikangoti mongozondionawo mudhara imi chingozivai kuti basa ndapedza. Weekend paShamva
ndakaseka zvangu ndakufunga kuti ndonopiwei namudhara Wilson ndichitsveta hembe dziya
pazvimaheji zvemurokesheni. Eeezve ndakangoisa hembe chete kuti vatsvakewo body yemwana
wavo zvaizoita here kuti ndivabatsire kunanaidza mwana wavo kuenda kudenga ndovapa futi
body yake nyore aa hazviiti izvo. Ndakarova mota ndakananga kuHarare. Ndichingosvika
ndakafonera mudhara akauya panze ndikamuratidza ropa . ndikati. 'Done'. Ndakangonzi
"ndokupa Quantum yava yako.,,,,,,,. Mission completed. Well done. Mari handingakuisiri
muaccount zvozonetsa ndichakupa iri cash "

*BRADLEY*
*Weekend* ndakabuda manheru ndakananga kuShamva, sekuti takangatataurirana nemumwe
wangu. Ko transport yaisava nyaya ndakanga ndatotaura na *MICHEAL* friend yangu
yekuchikoro uya. Takarova mota usiku takananga ikweyo. Takati tichinosvika pamba pana Revai
takawana dzimba dzakaiswa malock. Ndakazvishaya ndikati kana. ...... *Micheal* simudza mota
wakananga kwaChakonda. Tichingonosvika pamba pana Revai tichiri kuroad takaona ah
pakazara mapostori. Ndakangoti ah pamwe inyaya yekuti pamba pevamwe vavo pamwe pane
munamato. Ndakaita zvivindi ndikadana mumwe musikana pandakaona aiva kumashure
kwevanhu vese. Instead yekuti auye iye ndakaona kuchiuya mumwe mukuru aiva nehwapepe
hwendebvu. "Makadii henyu vanangu.".. Tiripo hedu baba makasimba here.... Ndakabva
ndatopinza nyaya yangu. Ko ndinokumbirawo kubvunza... Chii chikuitika pano asi pane church.
"Ah kana mwanangu.pane nhamo,tine musikana wedu akapondwa aigara kushamva,
kuWadzanai.",,, ndakapererwa ndikati. """what.""",,,, mukuru uya akaenderera mberi akati
ndizvozvo vanangu. Chakutinetsa ndechekuti akapondwa asi zvipfeko zvake ndozvatakangowa
chete body itikushaikwa. Dai takwanisa kuwana body yake timuzorodze hake. Asi mune
wamunoziva anogara pano here.",, ehe baba ndakabvuma asi mumoyo mangu ndaiti haasi Revai.
Hapana kuita chinguva ndakaona mainini vaRevai vachiuya. Vachingonditi baa vakatsemura
mhere yekuti ndakatya. Vakandimbundira. Vakati."Rudo rwako mwanangu ndirwo chete
rwauraisa musikana wako."... Handina kuziva zvakaitika asi ndakazongoona ndiri kuchipatara
makuseni akatevera acho....... ..
,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,
*END OF CHAPTER...............24*
WATCH OUT FOR CHAPTER.......25

*VIEWS AND COMMENT* ...............

*f.b page*
*bs braggnave sikaz books/stories*
Like _MEME_ _BOOKS_ on Facebook
Love u all mwaaaaaaaa
,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,
*to be added in our whats app group send yo number to our numbers above
,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,
Game of love
Written by TSHIYIWE (Meme)GONDONGWE
&
B.S BRAGGNAVE. SIKAZ
�084 617 3754
064 179 1014

Chapter 25
Revai �
Zivoice riya rakangomhanyira kuti honey. Ndakavhunduka ndikaramba ndakateerera rakabva
rapamha futi kuti "honey". Ndikati ndiwe aniko iwe unotaura sewakafunda mbudzi mumuromo
your voice is irritating me please usataura neni semunhu akamwira asi urisvodziwa kahi. Ndaiti
ndamupedzerazve kuda achakata and mupfungwa dzangu ndaingoti ndevaya varume vauya
vakatora vana Bradley namai vake saka ndaive ndatovamaka. Ndakazonzwa Zivoice riya rakuti
siyana nemwana wangu ndikanyatsoti aaa mwana wenyu mamboona ndakamubata here ini.
Pamandiona ndakamubata maregerei kundiudza kuti ndimuregedze. Handina nguva iyoyo
yekubata vanhu ndinotovatyawo hangu bye. Ndakavapindura ini ko ndaivanyengerera kuti vadii
ivo vakatoti havadi kunzwa nezvangu plus vaishungurudza ziBradley rangu. Vana mhamha
vakatomboda kunditsiura matauriro angu iwaya asi ndakavaudza kuti chero chiBradley chacho
kure futi hapana chandinonyengerera nekuti hapana chaanoziva pandiri. Ndakatoti akandifonera
ndoda kumutuka asi vana mhamha vakati kwete uyu munhu haana mhosva adii iye
achitoshungurudzwawo nekuda kwako. Ndakazonzwisisa hangu ndikatotanga kutarisa mapic ake
aive mufoni. Takazorara ndatodumbigwa neshungu nxaaa ndichingofunga Zivoice raive
rataura neni iro raingonzwika hutsinye mariri. Manje kuno kwavaive voda kutambira vachenjere
kusara vave ngavi ndavatena ndikabvisa uturu hwese nxaa. Ndaizviona zvangu mombe
dzaichekwa dzaisara dzapfava kuita madhongi chaiwo

Takazogara zvimazuva ndisina kumbonzwa nezvaBradley ndikangoti handinei nazvo.


Ndaitorwadziwa chete kana ndikaona Mac nekuti nguva zhinji aiuya pamusika achindimhoresa
hake. Bradley akazotanga kundifonera asi chaindinetsa ndechekuti aingoti achidropper foni baba
vacho votokanda message voti "I'm watching you". Kufona i think vaive vakutya pfocho because
ndaida kutovaudza kuti udzai mwana wenyu asiyane neni aite zvetsikombi yake yaakapihwa but
ndaiva shaya. Message ndaitya kuti vaizoratidza mukadzi wavo tikazovengana. Musi
wandakanzi naBradley ndirikuuya kuShamva ndakafara zvisingaiti ndaive ndamusuwa kutaura
chokwadi nguva yese yandaimutiza iya ndaive ndakuidemba manje. Ndakanyatsogeza ndikapoda
ndikabika sadza nederere randakaona sekuti airifarira. Sadza ndakanyatsoripakurira mudheka
ndikavhara kkkk kuita riya ravanoti gunere rababa. Ndaida kutogara ndakagadzirira zvese
zvirimugwara. Ndakabuda ndichienda kunotora juzi rangu kuti rigare riri pedyo nekuti daddy
vaive vatotaura kuti tichanotandara tirikwaMac. Ndakabuda mukitchen zvakanaka-naka
ndokupinda mubedroom medu ndaitoimba zvangu ndichivarairwa. Zvangu zvaive zvakanyanya
shame kkk kutanga kugadzirira kuma3 chokwadi munhu aizouya manheru here ndaive
ndakutopenga. Ko iro sadza handiti raizoita mabhachi chaiwo. Pandakati ndakubuda mubedroom
muya ndakanzwa "Revai! Revai! pandakati cheu ndakaona ari Bryan ndikanzwa moyo kufara
ndikati vakomana vawira panzvimbo. Ndakamhanya ndichiendako tikakwazisana
ndichingocheuka kuti ko Bradley haabudikiri here. Bryan akazoti "musazvinetsa henyu mainini
ndiri ndega paita ma1 pano". Hana yangu yakarova ndikati asi Bradley aita accident here. Bryan
akazondiudza kuti "baba vaBradley vakufungirai parefu mainini pane munhu atumwa kuti
azokunyangarisai. Dzikamai henyu imbomirai kuchema muchachema but not now. Bradley
arikufanira kuuya kuno kuma8 so uyu munhu arikufanira kusvika anytime from now but ndatoita
dhiri naye. Imi makutonditevera tonosangana naye patataurirana which means
ndakunokuhwandisai mainini hamungafire zvisina basa. Ini hangu ndine mukadzi nevana 2 Saru
ndaida kutotsvakawo pekuvarairwa hangu ndauya kuno so imi motofunga fast". Ndikati
ndakachema ipapo ndinganyepa asi kuti ndakaungudza. Bryan ayiratidza kurevesa pane
zvaaitaura zvese and mufaro wandaive ndaswera ndinawo waitoreva wega kuti ndichasuwa.
Ndakamboda kuti regai ndiende kumagirosa ndinoudza mainini but Bryan akaramba akati "avo
vanofanira kutoziva kuti makafa". Ndakamboti Bradley zvikanzi "nehasha dzaanadzo
angatotendeka mudhara wake akatozopfurwa chaiko saka regai zvakadero. Mainini zviri nani
murasikirwe naBradley wacho pane kusiya upenyu. Musambotya mudzimai wangu ndataura
naye ende anotokuzivai because ndakatodzingwa basa nekuda kwenyu. Munhu wacho arikuuya
ndatomuudza kuti pihwa mota isina tracker saka tiri covered don't worry". Ummm paive paoma
manje ndakafunga mai vangu ndikati mwari wangu ndakatadzeiko. Bryan akazoti tiite
kakudzurudzuta pachivanze like ndanga ndichirwiswa tapedza takamhanya nemuchitondo chiri
kuroad inoenda kwamagobo kupurazi. ndikazonzwa ave kufona. Hana yaingorova ndichiti
pamwe ndakutonourawa hangu. Takanosvika panzvimbo yaive yarehwa ndikapiwa hembe
ndikachinja ndokuparadzana naBhuga akunoita twunhu twake. Bryan aive asiya aviga mota kure
zvekuti takatsikida netsoka kusvika tati baba. Iye aiitira kuti chero vakada kutsvaka mota dzainge
dzambouya hapana aimbozotifungira. Iyiwo yakauya naBhuga yainzi yaive yakaiswa manumber
plate ekunyorera saka yaisatsvakika. Takarova road takananga kwaMurehwa ndiko kwaibva
Bryan. Takawana mukadzi wake akatotimirira kungonditi baaa mai vakachema ivavo umm
ndakavanzwira tsitsi ndikatofunga zvaida kuitwa nemurume wavo kuna Saru. Vaive nevana vavo
2 vasikana vese apa vaigara pashop pavo paMurehwa pakare ipapo vachishandisa imba yavo
yaive kuseri kweshop yavo yaive ne3rooms. Ini ndaizorara nemwana wavo aive grade zero
kamwe kacho kaitoyamwa mukaka. Mukuru ainzi Shyline mudiki achinzi Shylet vaitoti
akatumidzwa naBradley nokuti musi wavarwadziwa nenhumbu aitoveko kumba kwavo. Zviso
zvevaviri ava zvairatidza kusununguka zvekuti ndakanzwa kunyevenuka chaiko asi kapfungwa
kekuti ndichanzi ndakafa ndiko kaindityisa hangu. Ko mai vangu vaizoti kudii kovakadzi
vamudhara Dhingongongo ummm paive pakaipa chaiko.

Mainini vaRevai�
Ndakati ndakagara hangu pamusika ndina mai Musomi ndichitovavhairira nekaupenyu
kavamwene vaRevai. Ndakaona vanhu vachimhanya vakananga kunzira yaienda kuchikoro.
Takamhanyawo kutombokanganwa kuti tiri pamusika. Takawana vanhu vangoti kanha
ichingova hii hii mashura padunhu. Ndakaseberawo paive nevamwe ndakaramba
ndakadzvondora maziso ndisingatendi zvandaiona. Ndakangokaruka ndati ndiRevai
ndichideedzera apa vanhu vese vakabva vada kuziva chaitora nzvimbo. Ndakambochema vanhu
vakati regai vaseredzere shungu dzavo. Ndakazorondedzera kuti hembe ndaive ndadziziva
dzaive dzemwana wangu. Vanhu vakamhanya kumba kunotarisa Revai asi vakawana madoor
akashama pachivanze pachiratidza kuti pamboitwa mutsimba chaiwo. Chakanetsa vanhu
ndechekuti ko kana aive aurawa kobody iripi veduwe rakavagangaidzo. Mapurisa akafonerwa
akauya asi vakangoomawo mate mukanwa. Vabereki vaRevai vakatumirwa vanhu
kunovasheedza asi mai vake vakatadza kuuya nekuti vaingofenda saka baba vacho nevakadzi
vadiki ndivo vakauya. Ini ndakangosvikonzi nabamukuru "ndochii ichochi wavhiyaka kubva
chidya ukore. Ndakazviona kuti waitsvakira mwana zvikomba hezvo nhasi aurawa". Umwe
mukadzi wababa vaRevai akatoti "mwana uyu anga ava nenhumbu maybe vatryer kuibvisa
ikaramba vaona afa vakanomurasa". Vanhu ipapo vakandipupurira nekuti matsimba aive
aonekwa kumba aitoratidza kuti pakaita batai batai chaiyo. Vanhu vakazoita barara mhanya
nesango vachitsvaka kusvika zuva ravira kuma7 asi hapana chavakaona. Hembe dzakarambiwa
nhadzo vakuru vechechi vakati kufa mutemo wamwari saka kana tangozomuonawo
tichakuzivisai imi mapurisa. Pakatoita kukakavadzana kusvika mapurisa aramwa akaenda ko
vaizivaka yakamboitwa vamwe vavo gore riya usatamba netsvimbo iya inodhodhonya musoro
ukadambuka wire.

KwaChakonda ndaingonzwa nekutaurwa ndakatoita zvivindi dai ndaive umwe munhu chokwadi
ndaidei ndakatiza. Ndakazoona husiku kuchisvika mota ndikatoti pamwe mapurisa adzoka.
Ndakazoona vakomana vaviri vaitaura nevamwe vataingoti VaMharadze ndikati regai
ndisebereko tinzwe pamwe pane kwaaonekwa. Ndakanoona zvaari Bradley moyo wangu
wakarwadza veduwee ndikashaiwa zvekuita. Pandakangomuudza zvekushaika kwemumwe wake
mwana akangooma ziii kana kupfakanyika. Yakavabatai batai vanhu vakuru vakatotaura kuti
waenda uyu. Ummmm zvaive zvakaoma chokwadi haisi nyore kungoshaikirwa nevana vemazera
madiki iwaya vatinenge tichitarisira kuti vachazove vatungamiri mangwana. Shamwari yake
yaaive nayo akakumbira kuti abatsirwe kumuisa mumota ndokubva airova achienda kuchipatara.
Ini ndakatoti handichasari regai tiende tose plus ndaida kuti tigonoenda kumine kunozivisa
mukoma wake. Ndakazonzwa shamwari yaBradley akuti Mac haako akaenda out nebasa
hamheno mamachine aakaenda kunotora kuBulawayo tatowana asiko kumba kwake.
Tichingosvika pachipatara akatonzi emergency takutomuendesa kuHarare. Akabva atoiswa
muambulance ikadya tara ichiratidza kuti hazvina kumira mushe. Shamwari yaBradley iya
yakazoti handichadzokeri nemi regai nditsvake tax iende nemi. Ndakazodzokera kumba
ndichingosvika yaingove amuka here adii. Ndakangoti handizivi ndikabva ndatoenda kwaive
nemukoma wangu uyo aive aita kuzvimba maziso nekuchema.

End of chapter 25
�love you all
Like our Facebook page
Meme books.
Bs braggnave sikaz books/stories
WhatsApp kandai macontacts enyu tokuisai mugrp.

*GAME OF LOVE*❤�

WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.... 26

*#BRADLEY*��*IN HOSPITAL*

NDAKANGOONA mom vachiyerera misodzi ndikasaziva kuti zvairevei. Ndakatarisa rimwe


divi wanike kwakamira Micheal. Ah ko nhai mom mukuchemei. Chii chikuitika ndiripi now.
Ndakabvunza ka ko ndaisaziva zvirikuitika. Ko Micheal ukubvepi. Ah ko uyo ndiyani akapfeka
sebete. Apo ndakanga ndisingatombozivi kuti chii chikuitika pano. "Bradie relax ok.". Vakadaro
mom. Ko Mukoma Mac ukudei ko kubasa wasiya ani. Ndakangoona Mac achingizungudza
musoro, achikwiridzira dziwa. Ko zvaunenge ukuchema kwakanaka here?. Ndakabvunza ka ko
ndakaona Mac achichema... "Micheal can you tell us kuti chii chakaiti.",,,,, akadaro Mac
akatarisa Micheal. "Ah Revai akaaa....",,,Micheal akatadza kupedzisa anzi namom "nooo
Micheal not here.",,, ah ko mom asi Revai ane zvakaitika paari here. Why mukurambidza
Micheal kutaura. Mom vasati vapindura mudhara wilson akabva apinda akateverana
naBhuga.,,"chii chikutika. Doctor tell me whats going on here.?",,,,,akadaro mudhara rushusho.
"Mwana wenyu akasvika pano usiku ne Ambulance. He was almost dead but now atova bho. But
I think i t was a very critical shock.",, akadaro doctor ndichinzwa kudado ndakatanga
kubatanidza manje. Kuti ahh chii chakaitika. Ko Micheal paati revai anga achida kutii, ko
mhamha vamurambidzirei kutaura saka kana pasina nyaya... Ndakaita mibvunzo yakawandisa
kunge Question paper. Ndikabva ndashaya ma Answers semwana wegrade apiwa Exam ye
A'level. ,,,ah noo Micheal tell me something whats happened. Ndisati ndapindura mudhara kabva
adaira... "You need to rest Bee my boy.",,,,handina kuita nharo hangu. ndakaona Micheal adanwa
paside namudhara. Vakazevezerana ndakaona mudhara achidzoka wena zvikanzi. "Am very
sorry son. My daughter inlaw to be is nomore.",, kkkkkkk what you mean dady ndeupi muroora
wenyu iyeye wamurikutaura nezvake. "Revai. Wekushamva.",,,ah noo not my Revai nooooo
nooooo. Ndakachema Revai ndiri muchipatara kudaro ndikaonda ndakasvinika kani. Aai moyo
wangu wakaramba kuti revai afa shuwa asi ndozvanga zviripo hazvo... Ndakatozosara
muchipatara futi nekuti ndaingofenda. Ndikafunga revai ndaingofenda. Mangwana acho
akatevera ndakati ah kana. Ndoda kutoenda kuShamva kwacho kunhamo kunozvionera. Ndiri
pakati pekufunga kudaro ndakabva ndaona bhuga naSparrow vachipinda... "Morning boss Bee.
Your father sent us to tame you home since the doctor called him for your discharge.",,, akadaro
*Bhuga*,, hapana kupera minute ndakaona doctor vachiuya. Takabuda hedu ndikanopinda
mumota asi kuchema ko misodzi yaibuda. Ko yaizomira sei hapana. Takanosvka kumba mom
varipo apo vaitorongedza chikafu mumota yavo.. "Mom mukurogedzera kuendepi." ,, ndakabva
ndatopinda mumota mavo ndikati tikuenda tese. Asi mom vakaramna handizivi kuti why.
Ndakanyengererwa namom panguva iyoyo zvekuti ndakanzwisisa. Ndakasara hangu naBenhilda
asi ndaingochema. Kubva pandanzwa kuti Revai afa handina kana kukwanisa kumisa misodzi
ndaichema masikati neusiku. Ndakaona mudhara achisvika akabata IPHONE 6 achipinda
mumba mangu akagara pabed. "Bee uri mwanakomana wandinodisisa, handina kubvira
ndakuudza mashoko aya asi nhasi rega ndikuudze zviripo nhasi. I respect your wishes my son.
This phone ndanga ndatengera muroora wangu Revai, unfortunately zvaenda nepamwe. Asi
ndakupa iwewe Bee.",,, ndakatarisa mudhara so ndikati shuwa mukuru uyu ane chokwadi
nemashoko aya... So dady mukuedza kundiudza here kuti hamuzivi chakauraisa Revai?,,,"what a
good question son. I know chakauraisa Revai. Revai akauraiwa nehama dzake nyaya yacho
ndeyekuti vakazviona kuti adiwa nemwana waRichard Wilson,coz mwana wacho anonzi Bradie
anemari yakareba. And vakatofamba mun'anga vakatoudzwa kuti baba vaBee varikuda kutengera
Bee mota yake. Saka vakabva vaona kuti Revai yatova ngamura. Unongoziva mwanangu
zvekumusha varoyi vakawanda.",,, akadaro mudhara wilson. Ndikati ah horaiti dady but Revai
haafi akabuda mupfungwa zangu... "Its ok son ndoda kukutengera mota next week. Ukuda yaita
sei.",,, ah dady pliz just do it nemoyo wenyu handina chinhu chandichada ini ndakatorasikirwa....
Murume akafirwa anonzii dady. I widow here?,,,"I thinks so baby boy.",,,so am a widow now.
"Kkkkkk ah kwana apa Bradie uri murume here iwewe ah indava uchiita mafuniez kudaro
boy.",,,,, ndakafirwa zve hanty mom vatoendako kunhamo kwacho saka ndichaita sei ndanga
ndichida kuenda asi mom vandirambidza. "Ndini ndavati vasaenda newe son.",,,, ndakabva
ndatoti kuna Ben ndipoo foni yangu. NdakatambidWa foni ndikatanga kuedza foni yaRevai
yaingo ringer asi aidaira asavapo. Ndakaita sendichapenga pfungwa dzangu dzanga
dzisisakwanisi kana kufunga ndainzwa budu pamoyo apa. Ino kuzonzwa kutsva. Ahhh
Zvakaoma. Dady vakati vabuda ndakati ndotanga kutaura naBen... "Nhai Mukoma Bee don't you
think that mudhara anoziva something about kuurawa kwarevai." Ah Ben don't say that ah kana
Dady havamboiti utainye kusvika ipapo... Ndakapindura hangu Ben asi ndakaona kuti
zvandamupindura Ben haana kuzvifarira airatidza kuva nechokwadi chekuti mudhara ane
zvaakaita.... Ndakaona Ben akuda kutaura zvakawandisa ndikangoti.... Ben chirara apa... "ahh
ndichirara masikati ano kuti zvaita sei.",, ndakabva ndanyarara hangu kwakutanga kukotsira
hangu. Hapana kuta kana 10minutes ndakamutswa. Ndichisvinura ndakanzi. "Ah Bee ibvapa
Revai ini manje." Ah iwe unopenga kai. Ndakatoona kuti ndinofanira ndavhumuka zita rarevai
apa. Ah iwe ukudei pano. Ah mese nekamudhara kako ketwumagirazi mukudei. Budai muno...
"Ah Bee calm down."....akadaro mudhara Rushusho. "Usadaro ndipastor ava naTania wako.",,
dady stop calling this thing my Tania ok she is not mine and she will never be.,,, ndakabva
ndatotanga kuchema. "Lets pray ndakanzwa kaMagi kachidaro. ehe ka kamudhara kemagirazi ka
ndiye magi ka ah zvake zvekuzviti ndipastor is none of my damn fucken business. Vakanamata
zvavo asi ini mumoyo mangu ndangoti kana Mwari muchinzwa ka maifanira kunzwa madiro
andinoita revai. Vachipedza kunamata ndakabva ndati pastor pliz dont come with your thing or
your bitch wamunoti Tania or what. I dont want to see her here anymore... "Ah Bee mind your
mouth ok. Handidi kumanzwa mashoko iwawo futi",, ndakabva ndatitarisa kuside hangu
kwakutovata asi ndakanzwa shasha dzakuitana masorry ikoko asi mumoyo ndakangoti
mazvinzwa.
Zuva rakavira mom vasina kudzoka. Ndaiedza kuvafonera asi foni yavo yaisadairwa apa ndaida
kunzwa kuti ichokwadi here. Hope hadzina kubvira dzarasikira nemumaziso angu musi uyu.
Mom vakazosvika pamba na3 dzezuva ronovira mangwana acho. Ndakafara ndichiona mom so.
Mom are you sure that Revai is gone... Ndakabvunza ndakambundirana namom ndichichema.
"Yes son she passed away. Am sorry Bee zvakaoma,akapondwa Revai asi vanhu vekushamva
vakaoma moyo shuwa.",,,, vakadaro mom takachema zvisina kubvira zvaonekwa. Takazopinda
mumba hed asi mariro ekumba kwana revai akanga ava pedu. Ndakazviona shuwa kuti
ndakapinda mumhuri yanaRevai kare chero ndanga ndisati ndaroora hangu.... Mom saka
matomuviga here. Ah shura rekwani mwanangu vanhu vakauraya muroora wangu vakaoma
moyo shuwa,body yakashaikwa. Taviga hembe dzoga body haisi kuwanikwa. Mapurisa
ambosvaka mwanangu asi hapana chiri kuwanikwa". Saka mom do you believe kuti Revai is
dead. Ndakabvunza mom ndichida kunyatsonzwisisa kuti why body ikushaikwa. Asi mom
vakangonditi "ndizvo zviripo son maybe achawanikwa. Kune ma dam ka kushamva,maybe
akakandwa mumvura.".,,, shuwa here mom hutsinye hwakadii ihoho shuwa kuuraya mwana
akadaro kuti zvaita sei. Kuda kuti ndinyare hangu ini Bradie hangu. Asi Mwari ka Mwari...
Ndakaona mom vachitangisa kuchema nemashoko aya. Pasina nguva dady vakabva vapinda. ....
"Is that true nhai mai Mac.",, dady vakabvunza vachinogara pasofa. "Yes darling mwana akanga
asharwa nemwana wedu akapondwa. Manje chikunetsa i body yake haisi kuwanika maybe
akakandwa mumvura.",,,, ndakatangisa kuchema shuwa mumwe munhu kutora mhandara yangu
kuuraya kukanda mumvura zvakaoma. Ko dai vakauya vakamukanda pagate pedu apa
ndanomuviga hangu zvakanaka. As dady namom ndoda mundiitirewo favor nhasi." Anything
son." Akadaro mudhra. Ok dady ndoda kunoroora kwana Revai. Ndoda kunobvisa mari ikoko.
Ndakaona mudhara achishama. Ndikati serious. Ndakaona shasha dzese dzichipererwa nazvo.
"Ah ok son its fine. Unoenda next week asi usanoti imari yekuroora Revai unonoti mubetsereke
chete",,,, ndakafara. Ipapo ndakanzwa kusununguka sekunge Revai amuka.... Ndakambomira
kufungisisa. Week rakapera haro asi kana kuri kuona ndanga ndapera zvekuti hembe dzese danga
dzisisakwani muchiuno umu. Friday manheru ndakaona mudhara achisvika neimwe mota ndikati
ko mudhara aiwanepi *B.M.W* ine mapaper kuratidza kuti itsva kudai. "Bradie my boy come
here.",,, ndakaenda paya mom vakauyawo Ben naMarcia vakauyapo. .. "As i promised you
son,this is my present for you. Ndakutengera mota iyi ndoyako mapapers ayo aya tora...
Ndakafara panguva iyoyo ndikati good now ndakuenda nemota itsva kushamva ndichinoroora.
Ndakatenda mudhara tikapinda hedu mumba tikatandara. Zvikazonzi namudhara. "Bee ndaisa
$5000. Mu account mako so ndiyo yaunoshandisa panezvese zvaunoda kunoita kuShamva.",,,
hiii thank you dady. Maitabasa. Takazonorara hedu asi kufara ndakanga ndofara asi kuti moyo
wangu ubvisi revai zvakaramba ndaizongoerekana ndochema hangu. Ndikatarisa machats angu
naye epa Whats app so. Ko saka ndiyani achanditiwo Dady. Ndaiva nemubvunzo uyu every day.

Ndakamuka mangwanani ndikati ndakuda kuenda now. Ndakabva ndanzi unoperekedzwa na


*BHUGA* handina kuzviramba hangu nekuti vanhu vekuShamva ndakanga ndisisavavimbi
hangu. Takabuda naBhuga wangu. Ko ndye anga ava wangu ko Bryn hanty zvakanga
zvavharana. Tichangosvika paMusiiwa. Ndakati Bhuga. "Boss Bee. Taurai muranda wenyu
ndakaterera.",, oh noo Bhuga hausiranda sha uri shamwari yangu saBryn ok... "Ok boss.",, good
ndoda undibetsere kutsvaka body yemusikana wangu. Kana akafa,asi ukamuwana asina kufa ka.
Urikuona moa inoiya yatanga kufamba nhasi ndinokupa ikaita yako.... "Ndakaona Bhuga
achigutsurira musoro... "Ok boss ndichaedza nepandinogona napo.",, ndakangoti. Thanks my
man.
Tichinosvika paMine takasvika Mac aripo asi anga akasuwa. Achingondiona akatanga
kudonedza misodzi. Takambundirana ndikati vanhu vekuno kuShamva vakaoma bro. Vabetsera
mudhara wedu kufara nekuti naiye wo aisada Revai. Asi nhas andipa mari kuti ndinopa mai
nababa varevai. "Ah Bee usadaro mufana wangu forget about that wapiwa marii.",,, ndapiwa
$5000. "Ok mafana.",,, Mac akangosimuka akapinda mubedroomake akadzoka. Akanditambidza
mari. "This is $3000. Bro iise futi ipapo. I know that unemari yakawandisa but ndoda kukuzivisa
kuti wakakosha sei muhupenyu hwedu mufana. I love you man.",,, takambundirana.
Ndakusimuka Mac akabva ati "mirai tiende tese incase kukazoitikawo zvimwe.",, ndakafara
nerudo rwemwana wamai vangu. Mac akapinda mumota yake *TOYOTA FORTUNER*,,,, isu
nabhuga tikaenda mberi Mac achitevera.. Takasvika paWadzanai tikaona pamusika pamainini
varevai vasipo. Ndakamboda kunobvunza mai Musomi asi ndakaona masungiro avakanga
vakaita face. Ndikati ah zvinani izvo handiendiko. Ndakabva ndaona Sarue achiuya achimhanya.
"Hesi Mr Wilson. marova mazuvano.",, ah ndiripo hangu dear urisei hako. Ndakabva ndanzwa
vanhu vachiti "uyo uyo uyo mhondiii",,, ndakabva ndabvunza ..... Nhai Sarue tell me whats
going on?,,,, "ahh nyaya ikufamba muno hako hanzi iwewe naBryn makauraya Revai.",,,,
ndakashama wena ndikati yoo pakaipa zveshuwa hooo ah zvakanaka hazvo. Asi iwewe do you
believe kuti i killed Revai?,,, "Never Bee hazviiti hausi iwewe ini ndikufungira mamonya
akambokutora that day kuti vanechekuita nekushaikwa kaRevai",, ndakazongoti its ok dear ket
me check on you kana ndakudzoka tosangana paroad ndipe number yako then i will call you
kana ndakudzoka. ,,, ndakapiwa number hangu tikabva tananga KwaChakonda. Tichinosvika
pamba pana Revai takaona pane vanhu vaShoma takamisa mota kuroad ndakaona mainini
vaRevai vachiuya. ... "Wakadii hako mwanangu.",,, ndiripo hangu makadiwo mom kurisei kuno.
"Ah ndizvozvo mwanangu wavakunzwa sei hako.",,, ah ndirinani mhamha. Mai varevai
vakamhorosa Mac naBhuga. Mac akazoparura nyaya yatainge tafambira. Sekuti ndiye munhu
mukuru ka. "Mhamha tauyawo tinoda kusiyawo mari yekuti mhuri iyi ibetsereke."... Mainini
vaRevai vaindinzwisisa zvakanyanya. Vakangoti regai ndidane sisi nababa vake Revai vauye.
"Makadii henyu vana."... Takakwaziswa namai nababa vaRevai. Tichipedza kukwazisana.
Mainini vaRevie vakapa maIntroduction. "Uyu ndiye mukomana akafenda last week paakauya
pano paya paitaurwa naval Mharadze kuti mukomana afenda paroad apo kana ariiye vaiva
mukomana wemwana wenyu aimuda zveshuwa. Ndiye anonzi Bradley Wilson. Avo ndimukoma
wake ndi *Manager* vepa *Shamva Gold Mine*. Vakabva vanyarara. Uyu ndi Bhuga mwana
wekumba kwedu. Mainini vaRevai vakazotaura nyaya yedu havo asi vanhu vese taiva ipapo
taitochema.. Ndakazotora zvidhinha zvangu zviviri ndikavatambidza. I think ndakavapa mari
inosvika pa *$15 000*. Kusanganisa neyamudhara neyaMac. Ndakaona vanhu vese vachishama
so kana Bhuga akashama ipapo ndakamuona hangu. Takazoonekana mai Varevai nababa vake
vakungoti dai waitsvaka mumwe pavana vangu ndaikupa hako mukuwasha wangu. Mota
dzakarohwa dzakananga Shamva takudzokera hedu. Ichinoyambuka bridge takusvika
muWadzanai ndakafonera Sarue akauya paroad. Sha Sarue pakaipa Bryn akamiswa basa
namudhara so ma1 kana foni yake haisi kuita. Ko ndanga ndisisazivi ka kuti yakapiswa pasina
Bhuga akazoti hanty yakapiswa here. Asi dont worry Sarue achauya hake kana kuti ndikazoenda
kumba kwavo kwaMurehwa kwaNhakiwa ndichanomupa number yako... Takazoonekana
naSarue ndakudzokera hangu kumba. Takanosvika pamba paMac hatina kumbomira takarova
pasi. Tichisvika kumba kumanheru. Ndakasvika ady namom varipo Ben naMarcia vaivapo
zvekare. Ndichingopinda mumba wena KaMarcia nedzungu. "Heee Bee wekuchemera musikana
asingageze.", ndakabvuta nezenya kachinowira kwakadaro uko mudhara kana mom hapana
chakataura vese vakangoti ugone kugadzirisa muromo wako Marcia... Ndakazotsanangu
mafambiro ataita hedu asi kaMarcia kanga katovata... Mudhara namom vakazoda kupinza nyaya
yaTania ndikavaudza kuti ndichambochema mukadzi wangu. Kana ndapedza ndichakuudzai.
Pakapera week ndakatanga kufunga Bryn zvakanyanya. Ndakangoudza dady ko wanga wangova
muromo 1 ndotonzi enda my boy. Madirwa andakanga ndoitwa nadady akandipa kuvaterera.
Ndakapinda muroad ndakananga kwaMrehwa ndega ko ndakanga ndotenderwa kufamba ndega.
Ko ndikamiswa paroad block ndaingobudisa chitupa ka surname yega yaipfavisa mapurisa.
Ndichinosvika pashop paBryn ndakaona munhu akabuda mushop asi ipapo ehe ndakanga
ndafrwa hangi asi iyeye ndakati dai abuda ndava padoor ndaimuudza kuti tsiva panzvimbo
yaRevai. "Hey my boss welcome pliz." Akadaro Bryn. asi ndakanga ndoda kutuma Bryn
kunodzosa musikana uya. Ndakamhanyirwa nekamwana kaBryn kahombe kacho. Ndakazopinda
mushop ndakakasimudza. Mukadzi wangu wangu akauya nekamwana kake kadiki kaiva
pamukaka kaye. Ndikati ahh aka ehe ndakakapa zita asi ndoda kukapa rechitwo. Kakunzi Revai.
Vakaseka zvavo paya. Ndakazotsanangura zvakaitika kuna Revai Bryn akashamisika mukadzi
waBryn akachema. Ndakazoda kuenda kuseri kumarooms avaishandisa kuti ndimboisa foni
yangu pacharge asi Bryna akabva andimhanyira wena "Pliz boss hamuendi mega ndipei ndinoisa
inini." Ah ndakamutambidza takatandara wena takutaura dzimwe nyaya. Shop yakanonoka
kuvharwa kusvika ndati ah ndoinda ini. Ndipo pakazovharwa shop ndikachinzi handei kuseri
tapedza kubika chakandishamisa ndechekuti. Sadza rakabikwa nguvai coz mukadzi waBryn
haana kumbobuda mushop. Mdakazongoti maybe ranga riri mufood warmer. "Sisi Revai.",,, ah
kamwana ka Bryn so kuda kundifungisa mukadzi wangu... "Kkkkkk kanopenga aka atonzwa
pamati uyu mukuda kumupa zita rechitwo kkkkk". Akadaro Bryn nemukadzi wake vachiseka
apa ndanga ndakubuda hangu ndakunopinda mumota mangu. Ndakapinda mumota ndikabuda
ndakabata mari ndikatambidza mukadzi waBryn. "Ah boss Bee its too much.",,, akadaro Bryn.
Ndakangomutarisa ndikati remember our days man. Dai Revai ndisina kutangirwa nemhondi
yakamuuraya angadai aripano so nekuti ndiko kwanaida kuuya kuzomuhwandisa kuno. .....see
you man. Ndakatambidza Bryn Iphone 6. Hona Bryn handigoni kugara nephone iyi yanga
yatengerwa revai nadady so vakazopa ini so tora hako inondifungisa zvakawanda.
Ndasimudza mota ndikarova pasi asi misodzi yaichururuka...............

*end of chapter 26*

We love.

Bs braggnave sikaz books/stories


&
Meme books
Thats our fb pages

Send yo # and you will be added in our groups on app

*God bless*

Game of love
Written by Tshiyiwe (Meme)GONDONGWE
&
B.S BRAGGNAVE. SIKAZ
�084 617 3754
064 179 1014

Chapter 27
Revai �
Ndakagara namai Shyline vachingotaura nyaya kuyedza kundivaraidza. Baba Shyline ndivo
vaive mushop vachitengesa havo vakangotsinatira pafoni pavo. Hembe ndaive ndisina ndaingove
naicho chioma ndikupfeke chandaive ndapihwa nanaBhuga. Hembe yacho yaitove yakakurisa
zvekuti ndaitoita kukaba ndirimo, kunguya-nguya sedamba ririmumugomo. Mai Shyline
vakambomhanya kushop kwaive nemurume wavo hamheno zvavaive vadanirwa vachitadzwa
pafoni. Kungosara kwandakaita ndega misodzi yakati yoerera hayo. Ndakanyatsoona ndatotadza
kuenderera mberi nechikoro ndikati ndowedzera kuchema. Shyline akapinda achida kutora
mvura mufridge akangonditarisa akamhanya achidzokera kwaive nana mhamha vake . Anenge
akanoudza mai vake kuti mainini varikuchema avo vakauya vachimhanya kuti vazondinyaradza.
Chikafu vakamboedza kundipa asi ndakaramba ndaitonzwa kuguta neshungu. Ndaifanira
kushinga hangu asi mongoziva kuti hazvisi easy kupunyuka rufu plus zvandaida kuzoita
muupenyu zvaive zvatoenda musango. Ndakazonzwa baba Shyline vakudeedzera vachiti ""mai
Shy wadii kuvaitira Tv on vavarairwe havo pane kuti vagare vachichema". Mai Shy
vakatondibvunza hanzi "munofarira channel ipi". Kkkk ndakamboda kuseka zvangu ndikati mai
ava vanoti ndinozivei hangu ini musikana wekwaChakonda. Chero kuiita on kwacho
ndaimbogona here ndaive utsi zvaho vusiku vutatu. Ndakazovharidzira nekuwedzera kuchema
ndisingadi kuonekwa kupusa kwangu. Vakangosiyawo vaisa yavaida Shyline ndiye
aingodeedzera achitaura vanhu vaibuda paTv nemazita avo ini ndaingoti hesi mhani.
Ndakatozovaraidzika hangu ndakangoyeva apa chirungu chaitaurwa nevanhu vacho chaindityora
ini. Vanhu vacho vaifarira kupfeka mazambia iii but vaifitwa zvisingaite. Mai nababa Shy
vairatidza kuti vanodanana waingonzwa zvichiitana shaa! shaa varikushop ikoko. Manheru mai
Shy vakauya vakabika ndikanyengererwa kuti ndidye ndisarare nenzara. Ndakangoti nyobvo
nyobvo ndokutoti ndaguta. Ndakabonda maoko ndichitenda ndikazotora ndiro ndikanosuka
Shyline kachingoteverera mushure. Kaingoti mainini Revai kuita seakanga ave nenguva refu
achindiziva. Takazonorara hedu zvakanaka apo foni ndaive ndanzi ndimbomira kuiita on saka
handina kumboitarira. Kuchiedza sisi mai Shy vakati "mainini hamungambogari musina hembe
ndapiwa $200 iyi nabamukuru venyu kuti ndinokutsvakirai hembe manje imi motosara
remember mogona kuzoonekwa zvikanetsa. Ok regai ndimbokubvunzai chii chakakosha upenyu
hwenyu mainini nemukomana". Ndakavati upenyu zvikanzi "why muchiti upenyu toda reason".
Ndakavati mukomana anogona kungokusiya achidanana nevamwe. Vakaombera maoko mai Shy
vakati "good mainini makangwara so hapachina kuchema now musikana akangwara anotarisa
mberi. Ndoda munhu ane pfungwa dziri wide kwete munhu anongoona zvakamukomberedza asi
zvirikure asingazvioni. Mukagara muchichema munotozoita kuti vanhu vafungire so ingopindai
mumood kwayo. Pakatouya vanhu mukanzwa ndichiti mama vafona imi motodairirawo hatidi
kufungirwa handiti ". Ndakagutsrira musoro apa maziso atotsvuka ndainzwa kuda kuridza mhere
chaiko.Mashoko akataurwa namai Shy ndakamazeya ndikanzwa achinyatsopinda muropa rangu
ndakatozosara naShyline tichitamba hedu. Baba Shy havana kumbouya kuseri kwataive vaingoti
kana vane chavanoda vaidana Shyline ovatambidza. Sisi mai Shy vakazodzoka havo nehembe
dzakanaka ndikatenda chero baba Shy ndakavatenda vakangoti its fine. Shyline akapinda mumba
matairara ndokubuda akabata foni yangu apa aive atoiita on. Ndakangoti vana vane vabereki
vane zvinhu vanokura vakangwara sure chimwana chiduku chakadai chaitoziva kubaya foni.
Pasina nguva foni yangu yakarira pandakada kuitora baba Shy vakati hunzai kuno. Yakarira
nguva refu ivo vakangoitarisa zvekuti ndakamboda kuti nditi ndipei ndidavire. Payakazoita 30
minutes yanyarara baba Shy vakangoti "mainini foni iyi takutoirasa ,kuikacha chaiko because iri
kufonerwa nemapurisa munotozopedzisira matsvakwa mukabatwa and musakanganwa madhiri
amudhara Wilson. Zvinotozobata tese kubva kumba kwenyu nesu pano kozoti Bhuga so iyi
takutoipisa chaiko". Ndakangoti no problem ende moyo wangu waive wakutoti Bradley get away
handinei newe. Iye zvino ndaparadzana nevabereki vangu nekuda kwako iwe vako varikukuona
everyday muchifara semhuri. Ndaingodaro hangu asi ndaiti ndikafunga paya paakananaira zamu
rangu ndaikaruka ruoko rwangu rwakutoripuruzira. Iri ndirovanga raakange andisiira hamheno
kana dai akazondirumirira kwacho sezvo akati kurumana kwacho kwaisarwadza. Eheka kwaiva
kurumirira handiti zamu rangu paaida kuribata haana kuriti mbaa zvine simba akangoribatirira
zvinonakidzira. Ummm ndakatozopedzisira ndakuseka hangu ndichifunga paya pandakaruma
Bradley nepaya pandakamitunga nemusoro. Ndiri munyemwerero kudaro ndakaerekana misodzi
yakuerera Shyline kakamhanya kuzondipukuta. Ndakasimuka ndikambopinda mumba matairara
ndikazobuda ndakutamba naShyline. Mumba makazopinda umwe murume aingonzi Mhofu
Mhofu akasvika ndokumira achitarisa ini namai Shy achitichinjanisa. Akazoti "mai Shy iforoma
yekwenyu here iyi aiwa uyu ndada uyu chero mai Tai vakada kubhaiza ndovadzinga ini uyu
ndikasara naye". Pese pavaitaura ndaive ndatodumbirwa zvangu. Mhofu vaye vakazouya
pandaive vakati "aiwa mwana iwe wakanaka ndidewozve ndifare ". Ndakaramba ndakanyarara
nekuti mai Shy vaiti "mhofu siyai munin'ina wangu handidi kushungurudzirwa mwana".
Ndakaona baba Shy vachivatsika kuratidza kuti nyarara izvi zvakandibhowa zvisingaiti
ndakanzwa Mhofu vakuti "unonzani nhaiwe ndaperera pauri ndidewo". Ndakasumudza musoro
wangu ndikavatarisa chero baba Shy vakatombkmira zvavaiita vakatitarisa.ndikati baba imi
mukwane mazvinzwa musiyane neni, endai munotengera moyo wenyu bhachi udziirwe nekuti
kurembera kwawakaita panze kunoita utonhorwe kana maupfekedza bhachi moenda kuseri
kwegwenzi monozvitarisa kuti hamusati makuita bvudzi rakachena here (imvi) zvinoratidza kuti
makura mazvinzwa musade kundipandutsa nxaa. Ndichipedza kudaro ndakasimuka
ndikanopinda mumba matairara ndokugara zvangu. Baba Shy vaingoseka vakatsikitsira pasi uku
mai Shy vachingoti "Mhofu hamukuri makaita sei imi". Mhofu ndakanzwa vakuti "munin'ina
wenyu ane pamuromo mai Shy akandiudza zvekuchena bvudzi inini ane shuwa. Ibvudzi ripi
raanoreva iroro mwana uyu surrend". Baba Shy vakachizonyatsoseka havo vakati "majairaka
zvivana zvepaMurehwa High zvamunongovhevhetedza netuma$ twekutenga masweets". "Bryan
shaa izvi zvakanyanya izvi hakusi kurambazve uku kundituka. Wanzwa here hanzi moda
kundipandutsa ummm zvakaoma". Mhofu ndaivanzwa hangu vachitaura ndikangoti
nechemumoyo baba ava vanoona sekuti ndiritype ingaswero mirisana navo ini plus
zvwkudanana nevanhu ndaive ndatochera zigomba chairo ndikapfira imomo ndikafutsira.
PaMurehwa ndaive ndatova nevhiki ndiripo ndakutomira-mira mongozivawo kana uchigara
nevanhu vakasununguka hautane kujaira plus mai Shy vaindidzidzisa kushandisa midziyo yaive
mumba mavo. Mai vaive smart ivavo zvekuti kugeza waitiziva kuti ka3 pazuva pasina
kukundikana. Ndakatoti ko zvondotsivirwa shungu dzekusageza kwandaimboita paya umwe
moyo wakatoti asi baba Shy vakaudza mukadzi wavo kuti chimunhu ichi chainhuhwa tsvina.
Mai Shy vaive vane shamwari yavo yaigara pashops ipapo vainzi mai Takudzwa. Vainditorawo
semunin'ina wavo zvese zvaBradley hapana akambozviudzwa kwaingonzi munin'ina wangu
tosangana kunana mai. Umwe musi ndaitove kuseri ndichitsvaira mumba nekugadzirira kubika.
Babamukuru baba Shy vaive vasiya foni yavo mukitchen iri pacharge. Foni yakabva yaringer
ndikangoona number dzaive dzakanzi my Man. Ndakamhanya nayo kushop ndokunotambidza
baba Shy pandaive ndakuda kugara pasi kuti nditi ndapedza kubika sisi mai Shy handei
munopakura baba Shy vakati "mainini mhanyai kwamai Takudzwa ndichakudanai mapurisa
ayo". Ndakamhanya veduwee hana ichirova zvisingaiti. Ndichisvika kwamai Takue ndakangoti
kune zvidhakwa zvirikunetsana nababa Shy saka ini zvenoise ndotya. Vakatoti ko masiirei vana
ndikangoti handina kumbozvifunga. Mai Taku vakazosenderwa message kuti ndiuye
ndichingosvika ndakanzwa baba Shy vakuti "mai Shy shamwari i think Shyline zvirinani
amboenda kwana Gogo kumusha hazviiti here. Shyline anotaurisa saka zvekuzoti aidze mapurisa
kuti pana mainini Revai pano hazviiti honai umwe wacho atozozvinzwa paya paabvunza kuti asi
ichi chidiki chonzi Revai here". Mai Shy vaisapikisa zvavo vakangobvuma ipapo ipapo
vakatowirirana kudana munin'ina wamai Shy kuti azomutora. Ini ndakazonzi "mainini mange
makapasa masubjects mangani". Ndakavaudza kuti ese vakatoti chance ipapo ndakashaya kuti
zvairevei ini. Vakazoti "mainini ndoda kunyadzisa muvengi imi muchanodzidza kuboarding
handiti. Ndoda kuti mugare kuri safe nekuti pano mapurisa anogara akangozara saka imi
hamungazodzidzi zvakanaka. Mukatarisa zvikomana zvakungonin'inira pano kuri kuda
kutsvaka kukuvhevhai kuti mudanane navo so izvozvo ndoda kuzvivharidzira". Ndakatenda
ndikafara kuti ndaizoenda kuchikoro. Ndakapinda mumba mandairara ndikambonoimba
chihundera chekuchurch kwedu ndikanamata. Chakandinetsa ndechekuti ndakanzi "izvezvi kana
muri pano mainini mukanzwa munhu anenge auya munonohwanda mumba menyu momirira
kudanwa". Apa ndakazobvunza kuti why vaidaro asi ivo vaingoti "hatidi kukanyira Bhuga basa
rake akabatwa anourawa chaiko plus mapurisa pano anopafarira nenyaya dzemusindo
dzinokurumbira pano". Ndakazonyatsonzwisisa ndikatsidza mumoyo mangu kuti handidi kuti
baba Shy nemhuri yavo vawane chinovawira vesewo naBhuga wacho. Baba Shy vakazonopinda
mushop ndokudzoka vakabata zifoni iii raive rakanaka kani ndakatombofunga yaBradley nekuti
ndiye munhu aive nefoni yetype yakada kudaro iya yaaive anditengera paya ikazotsemuka aona
bete. Vana baba Shy vakanowedzera zvinhu zvavo zvekutengesa shop ikazara kuti maku. Ini
ndakatotengerwa dzimwe hembe nezvese zvekuchikoro baba Shy vakangoti "nzvimbo ndoziva
kuti ndoiwana nekuti ndakambodzidza pachikoro pacho". Ganda rangu raive ranaka veduwe ko
raisakara nei ndaingoswera ndiri mumba ndakazvivharira. Bradley ndaive ndakutoti pano neapo
ndopandaimufunga asi kuchema ndaive ndisisaiti. Shyline akazenge atove kumusha kwamai
vake akawo kadiki kairamba vanhu kaingoda kugara namai vako. Zvikoro zvichivhurwa
ndakaendeswa paMurehwa high kunodzidza ipapo. Mai Shy vakangoti "mainini chikoro mberi
munhu sure. Ndoda maA pano C muchaita kushona deal". Ndaive ndanyatsorukiswa musoro
wangu zvimwe zvavaingoti carrot so ndakanyatsoona kuti ndazonaka manje. Mai Shy vakati
"mainini muone kunotenderedza maticha musoro ikoko" takaseka hedu vana vanyamunhu.
Kuchikoro ndakaperekedzwa nababa Shy vachingondisimbisa kuti ndisanyanyofunge
ndikwanise kugadzira ramangwana rangu.

MAININI VAREVAI �
Kudonha kwakaita mukomana waRevai vanhu vakamboda kuti arikuzviitisa achivharidzira
mhosva dzavo dzehumhondi. Pavakaona azotakurwa neambulance kuenda kuHarare vanhu
vakasara vasisazive zvekuita. Vanhu vaive vakungoti komwana uyu zvaanga azviwanira
mukomana wake akazvinakira koSatan mamuregerei achizvitutumadza kusvika pakadai. Seni
hana yangu yakarara usiku hwese ichirova nekuti Bradley ndaive ndamugamuchira ndikamuona
semwana wangu. Chimwe chandakamudira kuve open aingotaura akasununguka asingazvitoreri
pamusoro chero zvake airatidza kuti mari anayo.
Ndakazonzwa moyo wangu kusununguka pakauya mai vaBradley nemukoma wacho kuzobata
maoko. Vakazotiudzawo kuti aive ave nani chaizvo aitoda kuuyawo asi vakaona kuti aizosvika
akafenda futi. Vakauya vakasenga veduwee zvekuti vanhu vakadya vakatarira. Vakazosiyawo
mari yechema umm vamwe vanhu vane mari dzavo havo vaingobvisa vakatarisa kuside. Mai
vaBradley vakamboedza kutaura nezvehembe kuti dziendeswe kunoongororwa asi hiii madhara
akatsika madziro ndobva pangoitwa kaguva vakadzipfutsira ipapo. Izvi zvakaitwa usiku sekuti
raitove shura chairo padunhu kuviga hembe here pasina munhu .

Ini ndakagara nemukoma wangu ndichimunyaradza nekutambirawo vanhu vaiuya kuzobata


maoko. Papera vhiki ndakazoona vana Bradley vachisvikawo nemukoma wake neimwewo
monya. Zvakaitika ipapo zvakatimutsira rufu rukadzoka kuita rwutsva. Takachema veduwee
chero bamukuru chaivo ndakaona misodzi yavo. Manyawi ane vanhurume nguva yese iyi
vaingoti pano haupagari unoenda kumba kwenyu. Vamwe vavo vekuchurch ndivo
vaitombodzoredzera kuti hazvinzarwo asi vaingoomesa kasoro ikako kaive kane usimbe
hwekufunga. Pakazobvisiwa mari nevakomana ndikaona bamukuru vachibvunda kushaya kuti
vodii. Ko kuzohumhana hanzi "kana uchida umwe mukwasha wangu huya utore". Ko vaive voda
kuroodza mwana kunze kwechurch nekuona mari. Vanhu vakamboda kutaura futi kuti
murikupiwa mari yeropa remwana wenyu izvezvi akaisiwa mufridge. Bamukuru vakangoti
"hazvina basa ko pano vana ndeve nhamo here kana vachida umwe wekuchekeresa ndongovapa
vondipa imwe mari".
Takazopedza zvenhamo idzi ndokupararira. Mweya wenhamo ukaenda pamunhu unovhara njere
mumusoro mukasara mave nemadhaka chete. Mari yakapiwa babamukuru hatina kumboona
zvayakashanda zvine musoro. Pane kuti vavakewo musha wavo uite chimiro vakanotuta
mazizenge hobho avakaita kutsvakira mota kuatakura kubva nawo kuHarare.
Vakasvikogadzira zished zihombe ndomavaingoswera vari nevakadzi vavo vachikacha migomo
yavo. Ndakarwadziwa nazvo asi hapanawo zvandaikwanisa kuita saka takangosiyawo zvakadero.

End of chapter 27
Love you all�
Like our Facebook pages.
Meme books
BRAGGNAVE books or stories.

Kupinda mugrp send your contacts tokukandai.

Kubox ingouyai motaura zvamunoda kwete kumboswera muchitenderera


Hie.
Hello.
Munonzani. imi muchiziva kuti murikuda kuiswa mugrp kana kuti moda machapters.

[1/25, 22:42] ethy: *GAME OF LOVE*❤�

WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.... 28

*#BRADLEY*��

"Ukufungei Nhai bee mwanangu." ,,,, vakadaro mudhara ndakagara hangu pasofa ndabva
kunoona hangu Bryn... Ah mudhara pakaipa munoona musikana wangu akafa izvozvi pfungwa
dzangu hadzisati dzagadzikana. Kana body yake ikutambudzika haisi kuonekwa so ndikutadza
kuziva zvekuita hangu.ndakatozopedzisa kutaura hangu asi misodzi yatova mafloods chaiwo.
Ndakazosara ndonuaradzwa nedhara rangu asi ah zvakaoma... "Dont worry son Tania is here for
you.",,, hell noo stop it dady, why all this what is Tania in this case. Asi ndiye akanyangarisa
musikana wangu kuti awane mukana but shame, ndicharoora hanzvadzi yangu *Ben* kana
ndafunga zvekuva nemukadzi not that Tania thing. A man snatcher. "No *Bee* my son,dont say
that urimunhu anonamata iwewe usatuka wanzwa.",,, yes mom ndonamata imi munonamata,kana
dady vannamata so regai kunditonga kuti imiwo musazotongwa. Inga bible bible says dont judge
so that you can not be judged also.,,,,let me be, infact let me follow my wishes. Ok mom.
Ndakaona vachigutsurira musoro mom. Ndikati ol dady. Ndakaona vachigutsurira musoro dady.
Ndakabva ndasimuka pasofa ndakananga Mumba mangu. Ndakanoenda kumaphotos ndikatanga
kuona hangu ndine mukadzi wangu*Revai* tiri kuchikomo. Ndakatarisa so misodzi ikatotesa
masheets. Ipapo Moyo wanguwakandiudza kuti kana akafa chete body yake ndinofanira kuona
and ndikaiona ndichanomuviga segamba. Ko kwandiri vaiva gamba Revai. Ndakazoona papera
20mins mom vakapinda. "Bradie mwanangu when are you going to stop this.?",, as long as this
girl is still existing in my mind mom. I will never ever stop this. Bradie baby boy unozviziva kuti
ini mom vako ndokuda kana dady vanokuda mwanangu. Ndiwe mukomana mudiki muridzi
wepfuma tese iyi. Usazvidya Moyo mwanangu.",,,, ndakabva ndachiterera kuti shasha
yakanangepi ndakafunga kuti pachataurwa zvaTania. Dai vakangopinza Tania ndingadai
ndakaita ngozi ndaivabhagura neblow zvekuti vaizoona kuti life yakaoma kana ngozi yacho
ndaisaitya. Ko akauraya mukadzi wangu arikudii kuita ngozi. Vakaenderera mberi mom.
"Zvaunoona kudai ndoda unomirira maresults hako uri Ku *London* Kwana Aunt Tau." Iiiii
ipapo misodzi yakambooma wena ndakufarira ndege ko ndanga ndaiguma ndiri form 1
pandakaenda Ku *Dubai* kunotenga laptop yangu yekushandisa kuchikoro.,,,,'ah mom are
serious about this.?',,,, " yes son am going to buy you a ticket on Friday. So Dady vako vati
vanoita processe ye *VISA* mangwana son so be strong ok.",,,, ok thanks mom ndakarara that
time ndikambundirana namom. So mom should I go and thank Dady?. "Yes you can son.",,
ndakangomuka ndikananga kunotenda Dady.... Thank you my father for the plans you have for
me... "Ok son anytime hey. Be a good boy only and you will enjoy being Mr Wilson's son.",,,
vakadaro Mudhara ndakarara wena. Ndakazonovata hangu ndikasiya Marcia kachiti ndoda
kuenda wo ikoko Ku U.K kwacho. Ndakanopinda Mumba mangu ah two hope twakatomboti
bate wena. Ndikavata husiku kuma2. Ndakanzwa phone was ringing and I answered. "Hello,yes I
am. Ah no not at all. I love that girl even if she is Dead. I wouldn't do that even one day. Ok sir
thank you. ,,,,,ah ndakashamisika nemashoko andakapiwa panhare. Shuwa maputisa arikutoti
ndini ndakauraya musikana wangu Zvakaoma shuwa. Ndakangozoti ah kana nyaya yaRevai
ichindiisa mujeri its fine Mwari ndivo vanoziva kuti ndakabva kure zvakadii uye mumoyo
mangu Revai ari pakadzika zvakadii. Ndakarara hangu kusvika zuva rabuda.
Friday manheru mom vakabva vauyawo neticket Dady zvee *Visa* vanga vatopedza ko pachavo
ka rakambonetsa here zvinoita evamwe ah kana. Ndakagadzirira ka monarch kangu since
ndaizokwira ndege on Monday. Ndakangoti regai ndigare ndagadzirira. Chinhu chandakatanga
kuita kufonera Bryn ndikamuudza. Kuti ndinodzoka next week since maresults anga ava pedyo
hawo. Ko papi pacho pandaikanganwa Bryn hapana. Sunday takaenda kuchurch hedu tikapedza
tichibuda muchurch ndakadanwa namufundisi ndikaenda ndikavamhorosa asi Moyo wangu
wanga une kakuvavenga hawo asi zvanga zvava nani. Takataura naPostor Magi ndikavaudza
nyaya yangu yerwendi rangu. Vakabva vandinamatira havo ndikatenda ndikananga kumota.
Ndichinomira pamota ndakaona aka kasisi kangu kedzungu Marcia kachiuya kachikwevana
naTania. "Achisvika Tania akandimhorosa ndikadaira asi ipapo ndakaona mufaro wake were.
Takazotaura dzimwewo nyaya hedu. Ndakazonzwa shasha yoti ndinouyawo mangwana
tizokuperekedza kuAirport. Ndakangoti its ok ndichipinda kumota hangu. Takazosimuka
pachurch late ko mom vaombopedza here kuonekana nemadzimai eruwadzano zvonetsa ka
mongozviziva.
Takasvika kumba changa changova chipatapata kubikirwa vedu naBen ah ko naBen taiwirirana
and a in go tenderer a kuseri kwake ndochachura. "Kkkkkk Bee sha usadaro ah iwe. Ndovaudza
mom.",,, Ummmm sorry sisi wangu hanty. "Chachu." "Sorry chii apa iwe uchingotora ah
unobhowa iwewe. Kkkk mom!!! Huyai Bee ariku....",,,,, nhema mom!!!, ndakabva
ndamuvhariridza hangu ndakabva ndagara pastool hangu ndakubaya baya hangu. Ndakabva
ndaona text from Tania.,,,"am so sorry about your girl Bee. Sorry dear.",,, ndakangoitatisa
ndikangoti nechemumoya ukuita noise. Ndakabva ndati kuna Ben aise password kumapics
yandisingazivi so that ndaisazoramba ndichiona Revai. Chandakanga ndisingadi kumabvisa ahh
ipapo maya. Akaisa password paya ndikatanga kushandisa yakadaro. Takapedza kudya ko ini
naBen taidyira muplate one mazuva iwayo nekuda kwekuwirirana. Tichipedza kudya kuma7,
ndakanzwa mota yakapinda pagate. Ah ndakazoona pastor vakadungamidzana nemukadzi wavo
nemwana wavo Tania. Asi mai mufundisi ndakatozovaziva ndatonzwa mom vati titambire mai
mufundisi. Takakwazisana wena hapana kuita time ndakaona madhara anematumbu achipinda
wena ah nemadzimai avo. Ndakashaya kuti zvikufamba sei. Ndakazonzwa pakunzi ndakudanai
kupart yemwanakomana wangu. BRADLEY WILSON. arikuenda ku U.K mangwana so i
suggest kumuitira ka min-part. Ndichakashamisika ndakanzwa panze pachirira ziradio apo
ndakatobva ndaziva kuti anofarira house music ndiManager chete. Ndichinosimuka ndakaona
Mac achipinda naAngie. Ah ndakatanga kuona kuti nhasi chakachaya. Mutambo wakatanga after
maIntroduction. Tichangoti fare pastor nemudzimai wavo vakati ngatinamate hedu isu tiwane
kufamba. Takanamata pastor vakabuda semunhu wekuchurch ka. Asi pakasarira nyaya ndepekuti
Tania akabva asara. Takafara tikafara vanhu vakanwa mawine vakatanga kurasa hunhu. Ndipo
pandakaona kuti mafaro anodiwa nemunhu wese. Ndakazobuda muya ndikanopinda mumba
mangu apo time dzanga dzaenda uyuwo Mac naAngie vanga vatopinda mumba maMac ko room
yaMac yakanga yagara iripo. Madhara ndiwo akazosara vachinwa doro. Havo sevanhu vajaira.
Ko ndakazombovata here Tania achinetsa. Ndanga ndadhakwa hangu asi zvaaida ndakaramba.
"Bee lets be husband and wife from today.",,, akadaro Tania akarara pachest pangu. No Tania
not now. Ndakapindura zvine confidence chaizvo zvekuti kana iye akaona kuti ndakaramba
ndichitaura zvekurara tese naBee togona kunetsana pano. Akaipa pungwe akarara pachest pangu
apo ndanga ndakaenda nehope hangu ndakazopepuka kuma 6 ndikamumutsa ndikamuudza kuti
enda muroom mevasikana iwewe. Haana kuita nharo hake. Ah asi Revai dai ari iye akaita
pungwe ndinaye taitoita vana vaviri musi iwoyu. Ah pana Tania kana zvekuti akandiguma
ndainzwa panoti n'en'enu kuti ndagumwa nemusikana ah kana. Past 8 mom vakauya
vakandimutsa kuti ndigeze apa Mac anga amuka kare. Angela atopedza kugadzira mumba
mudhara anga asina kumuka aiinyara muroora ka mukadzi waMac. Ndaka pedzisa kugeza
ndikapedza zvese apa mota dzakanga dzotinhira dziri5. Kkkkk ah zvakaomamota shanu
dzichimirira kuperekedza munhu 1. Ndakarova smart. Ndikanopinda mu *TOYOTA FJ* yaienda
namudhara Mom naMarcia vakapinda mune yavo *FORD RANGER*,, Mac naAngie vakapinda
mu *FORTUNER*,, Bhuga akanzi apinde mu *B.M.W* ndiye aiva na Ben naTania. Senior
Bodyguard Charles ( Sparrow) vakapinda mu *JEEP*,,, Vari one. Dzakarohwa mota dzakananga
ku *HARARE INTERNATIONAL AIRPORT*,,, takasvika apo ndege yangu yaisimuka na12:30.
Isu takasvika na12:00,, kwakungitisa itisa zvidhindo zvikatorohwa ndikachiona kuti ryt now
ndaenda. Ndakatanga kuonekana ne vanhu ndichingombundirwa zvekuti ndakarara
ndisisanhuwiriri perfume yangu chete wanga wangova musanganiswa. Ndege yakasimuka
tikarova pasi takananga kuchando.

*BHUGA*
Ngrrrrrr ngrrrrrr ngrrrrr. Hello Brayn boss Bee vakakuudza kuti varikuenda kumhiri here. Ok
ndanga ndichiti havana its ok. But panenyaya sha. rasa line refoni YaMadam Ravie ka coz
mudhara andiudza kuti ari kuifona ichipinda so ndozopinda ma1,,, ndakapedza kutaura naBrayn
apa hana yangu yairova kuti mudhara akazviziva ka ini ndongonzi kunaSparrow, manje Sparrow
kana pahuro anokuruma kusvika wafa. Ko ndosaka ari senior bodyguard ka inyaya iyoyo
yeutsinye. Ndiri pakati pekufunga kudaro ndakatanga kurangarira mota yandakanzi ndikauya
naRevai arimupenyu ndopiwa. Even ndikawana body yake ahhh ndakabva ndashinga ipapo
ndikati chinouya chinoona ini apa ndomboshanda hangu Revai achigara ikoko kwaBryn kusvika
uyu mudhara akuda kukanganwa ndozoudza boss Bee. Ndakazviudza mashoko aya ndakagara
hangu pa bumper reQuatum yandakahwina pakuuraya mbudzi ndichisiya munhu kkkkkk ah uyu
mudhara akazviziva ka haazvipamhi futi.. "BHUGA uripi huya kuno." Ndakamhanya hangu
kuna boss Wilson. "Ok Bhuga you are a good guy now ndoda undiperekedze kune mamwe
madhiri.",,, ok sherrif anything Marshal i can do for you. Dzakangoti... "Better",,, takabuda
takananga kumadhiri kuya maiwee zvangu. Zvakaoma.....

End of chapter ... 28

NEXT CHAPTER

*kunana muRondatsimba vanoti pandinomwaya Gorosi vanouya vomwaya nyemba itai tione
kwamunosvika nxaa muchasungwa.*

Mafans edu chaiwo ndinokutendai


*DANKIE*
[1/27, 14:11] ethy: Game of love. �
Written by Tshiyiwe (Meme)GONDONGWE.
&
B.S BRAGGNAVE. SIKAZ.
�084 617 3754
064 179 1014

Chapter 29�

Pandakasiiwa kuchikoro ndakamboda kuti batikanei nekuti ndakanoratidzwa muform 3C. Ini
ndainyatsoziva kuti maticha kazhinji vanonyanyo concentrater nemaA&B saka ndaive worried
ko ndaidaka maA akarehwa namai Shy. Baba Shy vakazviona havo vakangosiya vandivimbisa
kuti ndikashanda nesimba ndaigona kuzochinjwa at least ndikaiswawo muB zvaive nani.
Taifanira kutotenda kuti ndakawana nzvimbo. Ndaive ndisinaka transferring letter saka hapana
pavaikwanisa kuzoona mashandiro andaive ndakaita term rakapera. Pandakapinda muclass medu
vanhu vakawanda vakanditarisa zvokuti ndakashaya kana step yekufamba nayo. Ndakazonzwa
umwe mukomana akaridza muridzo zviye zvinoita vanhu kana vachirima ndokuzoti "varume apa
handidi munhu apa mukaita zvekutamba ndinodimbura munhu musoro". Vakatanga kudairana
kumasure ikoko vachingohon'era apa ndaive ndatovamaka hangu. Ndakasvotwa ini musi uyu
kuti takasvika pakuenda kubreak pasina kana teacher ambouya kumalessons. Pese pandaive
ndakagara muclass ndaingofunga kuWadzanai ndinana Saru . Ndaitoona hangu vana vechikoro
vachiudziwa shura rakaitika pandiri kuti ndakafa asi body yangu yakanyangarika. Ndakamboda
kuchema ndikazvidzora ndichitya kuzomakisa. Pabreak pamusiwo paisabudika vana vechikoro
vakazara -zara hanzi tauya kuzoona muenzi chimoko chatanzwa nembiri. Ndakamboda kutya
ndikati pamwe ndichanyunyurwa zvangu. Vana vazhinji vaivepo vairatidza kuti vaibva kumisha
ine mari zvekuti ndakangoti ndovana vemiyedzo ava sana Bradley vanotsvakirwa vasikana
nanababa vavo. Ndakamanikidzira ndikabuda zvangu apa zvisikana zvizhinji zvaida kutaura neni
ndaiziva zvangu zvavanenge vachiitira kuti vakuongorore kuti unofarira zvipi especially panyaya
dzevakomana idzi kuitira kuti vachengetedze vavo. After break kwakauya Sir vescience
ndokumira-mirawo vachingotaura zvisinganzwisisiki. Vaingonditarisa vakazopedzisira
vandibvunza zita rangu kuita sekuti ndini ndega ndaive muclass imomo. Ndakavaudza hangu
kuti ndonzi Revai Manyere ivo ndokutaurira pasi pasi "I'm sir Magodowa". Handina
kumbovatarira hangu ndakaita busy nekuverenga asi hapana chaipinda ndakufunga dziya
dzekutuhwina mufish pond. Mukomana uya wekuridza muridzo akazouya pandaive ndokugara
paside pangu akati "I'm The Respected One ,what about You! " Ndakaramba ndakanyarara kuti
ndimudire pfocho ndaitya kurohwa but ndaitoverenga kuti akaita 3 times achindibvunza zvisina
basa ndichamupa rekufuka nekuwarira kana rekuita mutimbwa naro. Iye aitoda kuonererwa
nevamwe vake anenge aive atovaudza kuti regai muone zvandinoda kunoita paari. Akadzokorora
zvakare kubvunza zita rangu ndikati nechemumoyo 2 kwasara ka1. Akazoti "iwe
urikutondinyararira uchashaya kwekucoper macorrections" apa aitaura voice riri padenga kuti
boys dzake dzinzwe. Ndakanyatsomutarisa ndikati iwe uri kumbodeiko pandiri nhai? Handina
kuvinga macorrections pano ndakavinga kudzidza wanzwa. Dai waigona waimbozoiswa muC
here kuda kungwarira paduri sehuku mai vanopficha. Mbama yandakapihwaka iyoyo yaive isina
kumira mushe. Ndakabata dama rangu raiita kupisa apa nemusoro waive wakarukwa zvaiita
kudairana chaiko. Ndakamupima mukomana uya achienda kunzvimbo kwake ndikati
nechemumoyo aya ndoavanoti masalad manje ini ndakakurira kwaChakonda ndichidzidziswa
kukacha migomo. Ndakafunga kumudzikisira zvangu mukomana uya ndakanyatsoti kwanyanu
pandaive ndigere ndokurongedza mabook angu ndokuisa mubag. Vana vechikoro
munongovaziva vakatanga kudeedzera vachiti akuenda awachiswa. Ndakafamba ndichienda
paive nemukomana uya iye ndokutanga kuti "wafunga kukumbira ruregereroka pfugama fast".
Ndakanyatsomuti ndee mumaziso chaimo ndikati unoziva kuti chii you are an international fool.
Uri imbwa huhuhu chaiyo next time usandijairira kusvika palevel ra.. Ndisati ndapedza
akandigashidza imwe pamba ndikati ndozvandanga ndichida izvi ndakamuurukira ndikamuita
zvinogara zvakadaro. Ndakaita chishamiso musi uyu, ndakarova munhu kusvika ndanzwa kuti
zvaita ndakazobatwa naSir vaya vescience tikaendeswa kustaffroom. Muromo waTafara waive
wazvimba ko ndakatomuziva akutosvereredzwazve. Takarohwa hedu ndokudzokera muclass
vaTafara vangu bvepfe rese taive taribvisa isu vana Revai. Ini uturu ndohwandaigona kudrainer
pamunhu. Ndakatoziva kuti vasikana vazhinji havaizombondijairira nekuti vaive vatoona
mahuha andakagashidza Tafara. Vamwe vaitaura zvavanoda vachiti "idzi ndidzotype
dzakapanda chirimo idzi hapana musikana kwaye anomisikidzana nevakomana. Makamboonepi
musikana anosvika form3 zamu rakati tote kuita serakanamirwa". Havaimbotadza havo kutaura
zvemazamu angu nokuti aive akatosiyana even neemamwe maform 1 aivepo. Vazhinji mazamu
aive akuita semakashu kuita senguruve.
Pachikoro pedu paive nevanhu vaidisa vasikana asi ini ndaisabatika hangu changu kwaingove
kudira pfocho zvekuti ndakapedzisira ndakutoziikanwa. Mateacher ndaingomaudza kuti
ndonotaura kuna Head saka vaitondityawo.

Ndakapedza mwedzi wese pasina ambouya kuzondiona i think baba Shy vaiitira kuti pfungwa
dzangu dzikanganwe. Umwe musi ndakarara usiku hwese ndichingofunga Bradley,
ndakatomboedza kumuka kuti ndiverenge asi ndakakundikana. Ndainyatsonzwa kuti mukomana
uya aindida shame zvekuti ndakachema kusvika ndakunzwa musoro. Ndakanamata usiku
ihwohwo ndichiedza kuti ndikumbire mwari vandikanganwise asi ndakapedzisira ndonamatira
kuti mwari vamuchengetedze kwaari ikoko agokwanisa kuwana musikana kwaye anomuda.
Ndakanyatsobvuma musi uyu kuti pamwana wekwaWilson ndaive ndaperera.

Rimwe zuva ndakaona ndatumirwa munhu kuti ndaidiwa kwaHeadmaster ndikatotya


ndichishaya kuti ndaive ndaparei. Ndakanopinda muya ndikawana kuna baba Shy iii ndakafara
veduwee. Ndakavamhorosa ndikanyatsoti makadii bamukuru moyo wangu wakasununguka.
Head vakazoti "ebaba tisu takudanai sezvo muri imi mubereki wemwana uyu. Mwana uyu
takumuchinja tomubvisa kuC kwaari takumuisa kuA." Ndakafara veduwe ndozvandaingoshuvira
kuti ndidzidze muclass mune competition kwete zvaive kuC kwedu aingove mariro ega ega asi
wati vasikana vacho kupoda nekutaura zvevakomana ndiko kwaive kubasa. Ndakatoona kuti
vanaSaru vaive vakatozara kwese kwese. Takapedza kutaura hedu muya tikazobuda
ndakuperekedza baba Shy kumota kwavo kuti vaende. Foni yababa Shy yakaringer hamheno
munhu wavaitaura naye asi vairatidza kukakavadzana chaizvo. Vakazoti mainini endai kuclass
faster pane zvirikuitika. Hana yangu yakarova ko hama dzangu idzi ndainzwa kudzifarira
ndaisada kuti dzishungurudzwe. Baba Shy pandaivaona ndaingorangarira Bradley hangu
tiripaShamva ndaibva ndatomuona.

BRYAN �
Kuparadzana kwandakaita naBoss Bee kwakandirwadza mumoyo mangu asi paive pasina
zvekuita yaive yatodeuka. Kuve neplan muupenyu chinhu chakangonakaso dai ndaive ndisina
kuita zveshop iyoyi ndaizobatana nei basa zvaraive rapera. Nguva zhinji zvekushop
ndaisazvitarira asi mai Shy waitoona kuti zvebusiness zvaitove muropa nekuti kubva
zvatakatanga kuita shop handina kumbonzwa vachindikumbira mari yeorder. Vaingotenderedza
iyoyo yatakatanga nayo zvichitofamba. Bhuga akandisimbisawo kuti aizondibatsira nepaaigona
napo kuti ndikwanise kuriritira mhuri isafe nenzara. Isu takazorivarawo naBhuga tikakanganwa
kuti Bradley kwaMurehwa aikuziva. Paitoda kuti Bhuga agare achiziva nzendo dzaBradley
kuitira kutifonera tigare tichiziva tisazobatikidzwa kuti ndisu tinaRevai. Musi waakandisiira foni
takapotsa tabatwa zvekuti ndakatura befu ndaturazve. Ndakazopihwa mari ko Bradley angaasina
kuomeraka. Ndakapihwa $1000 ndikatoti nechemumoyo ndawana mari yekuendesa mwana
wevanhu kuchikoro. Ane wake haakanganwi chokwadi ndakabvuma ,kusvika kwakaita Bradley
akaona mainini vachibuda mushop akadyira wena. Luck vakaita zvekubuda vachimhanya dai
vakangoda kubva vachifamba taibatwa. Ndakazomuvhara-vhara ko aitoda kuteera zvee hanzi
ndawana Revai's replacement. Ko ndaitomuita semunhu akafirwa ndakamuti imbochemai mhuri
yenyu igowanawo zororo. Mari yaakandipa yakandibatsira zvikuru ndakakwanisa kuwedzera
zvinhu mushop mangu nokuendesa mainini kuboarding. Ndakatoti nechemumoyo ndichagara
ndichikukumbira mari shamwari ndiwane kuendesa mwana wevanhu kuchikoro. Manyawi acho
aive naBradley takagara tikatandara kunganwa kuti kunei ndopatakazoparadzana vorurama
kwavo Harare. Ndaingodemba kuti mainini vasaite pfungwa dzekukurumidza kudzoka kubva
kwamai Taku. Shyline ndiye aida kuita dzungu manje takamukanda kwaNhakiwa tikati
uchadzoka wakuziva zvaunoita. Bhuga aindiudza zvese zvaiitika kuHarare. Bradley
akazondifonera achiti ndichamboenda kuLondon ndozodzoka maresults abuda. Ndakangoti iri
boo tozoonana pakudzoka. Musi wandakaenda kuchikoro kunoona mainini ndakanzwa
Bradley achifona achiti ndiri pagedhi ndipinde here. Munhu mutema anodisa zvinhu vakomana,
umwewo mukomana wandakasiya achida kutenga mushop medu akanzwa ndichitaura namai Shy
iye akuita seauya kuzondiongorora. Ndiye akaudza vana Bradley naSparrow kuti ndaenda
pachikoro. Ndakavhunduka ndikatozoita zvekumhanya kuti ndisangane navo vasati vapinda.
Sparrow aive ongombeya naBradley uyu ndaitomutyira kuzodzingwa basa. Ndichisvika kumba
ndakawana foni iya yandakapiwa naBradley ine 15 mamissed call enumber dzaBhuga
ndikatoziva kuti aida kundiudza zvekuuya kwana Bradley. Bradley aive akapasa zvisingaiti ende
ndakaona mufaro wake wese musi uyu asi aingodemba kuti "dai Revai aripo ndaita part
ndichipemberera kupasa kwangu". Chaizondirwadza manje mabvunziro aaiita kuti "asi vanhu
mungatozvitenda chaiko kuti Revai akafa". Ipapo ndaitadza kupapindura handidi kunyepa
ndaingozoti uchamuwana mumwe. Akazoti "B my man ndokumbirawo fever one chete ini ndoda
kuuya kuzodzidza kuno kuHarare uku kuri kubhowa neteki teki yaTania manje kana ndirikure
zvinomboita nani. Mudhara arikutondipa preasure yekuti ndirare naye shaar. Iye Tania musi
wepart yangu yekuenda kuLondon aitoda kundivhevha shaar kuti tiite hide my sausage kana
ndiwewo musikana kwaye anotungamira iye mberi ko ini munhurume ndozodii. Ndizvozvi
zvekuzokura kusvika pazera ranaMac usina kumbonzwawo mhandara." Uyu munhu aive
akutaura zvipi futi apa ndakaramba ndikarambisisa ndikamuudza kuti unoda kundiuraisa handidi.
Mudhara Wilson akazviziva ndaizopinda ma1. Zvakamurwadza but ndozvaitovepo akazoti "ko
kana ndikauya hangu kuzogara kuno pamaholiday. Iye zvino pandinodzokera kuchikoro ndakuda
kunoita muboarder. Shaar ini Tania andimudi but maitiro ake ndozomutsa ruvengo pakati
pamudhara wake namudhara Wilson ndamupfudza pfudza ndikamusiya. Munhu
anotopininidza kauno hanzi rara neni." Muface uyu why aingoda kuita seanofembera zvekuuya
kuholiday zvaisaita futi ko Revai aizoendepi pakanetsa futi. Ndakazotaura namai Shy kuti ndizvo
zvaitaurwa naBradley asi ivo vakati Revai aizonoitira maholiday ake kwaNhakiwa kumusha
kwavo mai Shy. Matauriro akaita Bradley aitoratidza kuti chero tikasamutendera kuzogara
kumba kwedu paholiday but aitozoita mazuva aaiuya kuzoswera nekurarako.
Ndakazofonera Bhuga ndichimuudza zvaitaurwa naBradley zvekuda kuzodzidza kwaMurehwa
akazviramba ipapo. Ndakazonzwa akuti "shaaar mudhara haaite uyu cash riya rabuda but pane
rimwe dhiri ratiri kutobva kunomhanyisa. Iri handikuudzi pafoni tichataura patinosangana." Hey
Bhuga akandisiya ndakarembera ini ndainzwa kunonokerwa chaiko unodaroka uriiwe
urikurongerwa horror. Mari yaitaurwa naBhuga yaive iya yatinoti mari yakazvimba ,yemuwando
so paShare yangu ndaifanira kutobuditsa something. Manje Bhuga ndaizomuona rini kuti andipe
zvaBryan kuna Bryan. Bhuga ndaive ndakumuvimba zvekuti ndainzwa kupombonoka kuita
madhiri naye.

End of chapter 29.


Love you all�
Machapter ariko kuFacebook
*GAME OF LOVE*❤�

WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.... 30

*#BRADLEY*

Musi wandasvika kuUK, Tete Tau vakafara zvekuti ndakangoti nechemumoyo dai kurikunzi
ndauya naRevai zvaiva nani. "Nhai Bee mwana wehanzvadzi yangu wanga wakutoda kuroora
here? Ndakanzwa kuti wanga watambudza baba vako ka nenyaya yemababe.",,, musanzwa
henyu Tete. Mudhara Rue hamumuzive here. Iye mudhara ndiye anotoda kuti ndiroore
chimwewo chimbedeya tete chinopopera kuita bonde. Tete musikana wacho atori mukuru futi
kwandiri. Vanongoda kushandisa zita rekuti mwana waMufundisi. Manje vakasazvidzoraka
ndomumitisa tete ndikamuramba zvinonyadzisa. Takaseka hedu natete tikarovana maoko.
Vakazongoti " Bee kumumitisa haisi solution unotozopedzisira wamuroora nekuda kwemwana
iwe ingomira panzvimbo kana usingadi". Tete ndiite sei pamwe varikuda breed rangu saka
ndovapazve moyo wavo ufare. Tete musikana wangu anondirwadza zvisingaite zvekuti
ndikabata munhu akamuurayaka ndoita ngozi. Ndakazopedza kutaura ndakutobvundisa miromo
nehasha, tete vakazviona vakandinyaradza havo. Takazoita hedu zvimwe takutofara vakandiudza
kuti ndizorore mangwana acho taifanira kunoita shopping since ndaive ndisina nguva
yakanyanya yekugarako. Pabudget yangu paivewo nehembe dzaRevai chero hake aive tsakatika.
Ndakafara hangu mazuva ndiwo akaita mashoma. Taiswera tichitenderera ndichiratidzwa
nzvimbo. Handina kuzogarisika mazuva ekupedzisira nekuti ndakazofonerwa kuti maresults
akabuda. Ndakarara ndichiudzwa namom kuti ndine 8 subjects 6As and 2Bs. Ah week
rakazopera ndakutofunga kumba hangu coz ndanga ndakuda kuenda hangu kuchikoro.
Ndokwega kwaizondinzvengesa kumiyedzo yaTania otherwise... Ndakazoperekedzwa naAunt iri
Monday ndikanobata ndege ndikadzoka kumba. Ndichisvika paairport ndakawana
ndakatomirirwa nemhuri yedu. Ndakapinda mumota takananga kumba tichingosvika kumba
ndakawana kune part wena hanzi ndeyekudzoka kwangu uye kupasa kwàndakaita. Apo madziro
ese anga akangonyorwa hanzi *welcome home Bradley Wilson*,, ah ndakafara kani takaita part
till late. Musi uyu handina kumbonwa ndaisada kujairirwa naTania uyo aingofamba akamisa
kauno. Moyo wangu wain'en'ena wena ndichingofunga kuti dai Revai aripo hake asi dzanga
dzangova ndangariro. Takazonovata hedu mupfungwa muine madzudzo kupishana
kwendangariro hakuna kuzorodza moyo wangu. Kusvika kwangu kwakaita sekwadzosa Revai
zvine power mumoyo mangu. Ndaingonzwa kuti chema asi ndakazongoti Mwari haasi munhu.
Pakaita two days ndakafunga kushanyira Bryn wangu ndakabva ndaenda kwaMurehwa
naSparrow. Tichisvika pashop ndakaona panamai Shyleen voga. ,,,, ko mukomana aripiko nhai
mai Shy. "Ah varikuuya mhanje manje Dady Bee. Dai matogara henyu vanouya.",,,, ah mai Shy
sha ini ndoda kutevera kwaaenda Bryn. Ndakabva ndagamwa nemumwe mukuru aiva. Mushop
wena. "Anga achiti arikuenda pachikoro apa pamission apa. Kunoona mainin vake.",,,, ndakabva
ndatoti Sparrow rova mota. Tichisvika paya ndakaona Bryn asipo asi paingova nemota ndofunga
ndipo pavisitor's park pacho ndakaita kumufonera. Bryn akauya achimhanya chaiko. Ndakabva
ndatopinda mumota yaBryn. Tichisvika pashop ndakambozama kukumbira Bryn kuti ndidzidze
kuno ndichigara kumba kwake. Apa ndaida kutiza Tania manje. Ah Bryn akarambira kure
nekuda kwekutya mudhara wangu.
Ndakazongoti its ok sha asi pamaholidays ndichauya ndakazviona hangu kuti zvaisamuitira
zvese Bryn asi ini ndanga ndatotenderana nemoyo wangu. Ndakazongobva ndakudzokera hangu
kumba naSparrow asi naSparrow tanga tisina nyaya plus zvekuti Revai akafa zvaingondirambira
hangu. Ndichisvika kumba takataurirana namudhara kuti handichadi kudzidza maday schools
ndakuda boarding school. Mudhara haana kundirambira ah ndakanga ndoteererwa zvekuti
ndakati asi mudhara aivenga kuvapo kwaRevai asi ndiye akamuuraya. Ndakazongoti ah hameno.
Asi musikana andakaona kwaBryn ah handirevi nhema uya ndiye achangotsiva Revai kwete
zvanaTania. Pakazoiti mazuva matatu apera ndakanzwa mudhara achiti "ndakuwanira nzvimbo
kune chimwe chikoro chiri kuMasvingo uko C chinonzi Mutendi High.",,, ndakafara manje kuti
kwandakunodzidza kana Tania akadii uko haauyi apa holiday ndaizoenda kwaBryan
Ndakatorongedzerwa wena ko mangwana acho ndaifanira kunge ndiri pachikoro. Ndakasvika
paMtendi wena wanei pane vana vemhene ndikati right class iri pano ka ndeyepamusoro manje
ini ndozvandaisada kuonekwa izvozvo ndakatanga kutozviita munhu wepasi chaipo. Kkkkkk
ndakafunga Rivo yandaida kunyenga Revai ndakapfeka. Ko chandaida apa kudzidza ka.
Takadzidza ko paMtendi panodzidzwa unongonzwa kani and panorohwa munhu naHeadmaster
Mtendi. Ndakaona pachibikwa vanhu kani ini ndikati handitombodariki nemumaoko avo ko
kurohwa ndaisada zve ini. Uku vaisazvitarisa zvekuti hee baba vangu vamoyo wakavangarara.
Imwe weekend ndakafunga kumboenda kumba ,handina kuchema ndaisada kuzotorwa
naSparrow asi dai aive Bryan. Ndakasvika pachikoro pana Benhildar akandimhanyira
tikafarirana. Pasina nguva Tania akauyawo ndokunditi huggy nxaa ndakabhowekana handina
kuda kuzviratidzira. Tichakamira kudaro pakauya vamwe vakomana 3 neo kusvikomira pataive.
Umwe wacho akatondibvunza zita rangu ndikamuudza ndichingoti semaface angu taive tese last
year but vaive mberi chete taisataura tese. Praise ndaimuzivaka nezita but ipapo akanyepera
kuzungaira hake. Chirega uone zvakazoitika ipapo.

*Mai Bradie*
Ah mwana wangu Bee paanodzoka paholiday ka ndoda kumuperekedza kuShamva timbonoona
anamai vemusikana wake. Ah mwana aida musikana wake kani uyu. Zvese izvi dzakava
ndangariro dzangu ndichirwadziwa nemachemero aiita Bee. Mazuvaa aakaita achichema
musikana wake. Ummmmm akawandisa asi shura racho nanhasi body yemusikana wake
haiwaniki sei. Ah ini kuti musikana uya akafa Ummmm handina chokwadi. Ko munhu haarovi
ka tichazvinzwa hedu. Asi Bee kana zvikadii pana Tania ah kana ini mai vake chaivo handidi
izvozvo. Ndingasva ndamudzosera Ku UK hake agare ikoko kusvika Tania afa. Ah kufa chaiko
ne kuti Havana chaanobatsira nacho plus ini nababa vake takangopfimbana tega pasina kupindira
kwevabereki. Zvese izvi ndaingozvidya Moyo ndiri kubasa. Nguva yangu yekuenda kumba
yakakwana ndikabuda muoffice mangu ndikananga Ku car park ndikatora mota yangu
ndikananga kuchikoro kwaMarcia ndichibva ndananga kumba hangu. Ko kumba kwacho
kwanga kwobhowa sei apo mangwana acho ndaiva neOff. Ndakabva ndati mukana wangu.
Ndoda kuenda kuShamva kunoona mai vemusikana waBee. Ndakamuka makuseni
ndikagadzirira Dady vakananga kubasa ini ndikabva ndatoti ndotoenda kushamva. Ndichisvika
kumba kwaMac ndakawana kuna Angie. "Hi Angie my daughter.",,, "Hie mom how are you
and ana tete nababa vari sei.",,, akapindura hake Angie akafara. They are all fine dear. Mac
atoenda kubasa here? ,,, "ehe Mhamha aenda." ,, ndakabva ndabuditsa foni yangu muhand bag.
Ndikabva ndamufonera akabva adzoka hake nekukasika. Achingosvika ndakabva ndamuudza
kuti ndoda kunoona mai vaRevai. Takatenderana tikabuda tikananga kumashops. Takasvika
pamusika paya vakatogara havo ah chero zvazvo pakanga pava nemazuva Revai ashaika asi
pandakasvika panamai vake takachema. KwaChakonda ndakazeza kusvika ndakangoti ivava
vaizosvitsa shoko. Takazonyararidzana kwakuchitaura nyaya hedu ndikabva ndati ndauya
kuzokuona Chishashi asi ndine nyaya. Munozvitenda kuti Revai akafa shuwa here. Ah ini hangu
handibvumi izvozvo. Dai akafa body yake yaionekwa kani. Imi musachema kani ndinovimba
aripo chete pane munhu akangoda kunyadzisa mwana wangu. "Taurai henyu chishashe asi
munhu iyeye shuwa ka Mwari kana variko achafa aribenzi. Kana kufira mujeri. Ndakazopedza
nguva takutaura dzimwe nyaya hedu uyu Mac anga adzokera hake kubasa. Ndakazomufonera
kuti auye anditore since ndakanga ndakuda kudzokera. Mac akasvika ndikatora handbag yangu.
Ndikatora mari yaivamo. "Iyi $500 chishashe mutengewo something. Ndakaona vachishaya
zvekuiita ndakabva ndati tinoonana chishashe. Mac achisimudza mota. Ndichinosvika kumba
kwaMac handina kumira ndakabva ndananga kumba ko dady vaizouya ndisatindadzoka ikazoita
nyaya zvayo. Ndichisvika pamba ndakaona Bhuga ari pagate. "Bhuga uuye mudining.
Ndakapinda mumba Bhuga achitevera.,,,,Bhuga Revai handina chokwadi kuti akafa ndakukupa
basa tsvaka Revai. Kana akafa tsvaka body yake. Ukazviita izvi chero pawazviitira nhasi kana
next year mubairo wako uripo asi handidi kuti zvizivikanwe chero nani wanzwa "Horaiti madam
kudakwenyu ngakuitwe your highness. Munoziva chii madam ava madam Revie kaaa....... .."

End of chapter..... 30

Vanamurondatsimba itai tione

Mafans edu tinokutendai

*Dankie*

Game of love �
Written by Tshiyiwe (Meme) GONDONGWE
&
B.S BRAGGNAVE. SIKAZ
�084 617 3754
064 179 1014
Chapter 31

Revai �
Umm baba Shy ndakatanga kuvafungira ini maitiro avo aindiudza kuti he is hiding something
from me. Musi uya vakandimhanyisa kunohwanda ndichidzoka ndopavakatanga kuti mainini
makuenda kuboarding. Shyline akabva anokandwa kwaNhakiwa, ko sezvo Shylet asisayamwi
vakadii kumuendesawo. Nhasi vangoti vachireciever call vakuti mainini mhanyai muende
muclass ummm ndichavabvunza hangu, but ndotangira papi manje. Zviripo zvekuzobvunzaka
voramwa wodzoserwa kwaChakonda wochizonyatsochekwa chaiko. Aaaa ini kufa handidi ini
I'm still young ,but ndakanzwa kuti kufenda ikokuya ndomahighlights ekufa saka ndofanira
kutonamata handichadi zvikungofenda zviya. Oh lord I want to be strong handichadi
zvekucollapser inini. Zvese izvi ndaizvifunga manheru ndakarara mudom mangu. Ndaive
ndapedza homework yangu yeGeo ndatozvambarara kutsvaka hope. Nyaya yaBradley
yaingoerekana yapinda mupfungwa dzangu chero ndisingadi kumufunga. Ndaizvitongesa ini
ndichizvubvunza mibvunzo isina anopindura. Baba Shy havangambotadzi kunzwawo
nezvaBradley because pavanoti foni yavo yakapiswa vakatenga line vakaita sim swap saka
number dzavo dzirikungoshanda. Ko aifona pafoni yangu musi uya ndiani kkk ndingatofunga
zvefoni futi koauya ipapa vakamhanya mhanya apa ndiani. Dai vangonditendera kungomuona
even pamafotos hapo once moyo wangu uzorore. Ivo ndivo vakakanganisa dai vasina
kumbondiratidza TV havo because ndaiona vasikana vakawanda vachiratidza kuzorora chaiko
vakagumbatirwa mumaoko nevakomana vavo. Bradley please ndakuda kukuona ini. Ummm
ko ndikada hangu Joseph muUpper uya arikundinetsa, but nematukiro andakamuita paya
ndozvekuzoitwa sana Saru. Ndakanzwa umwe moyo uchiti Revai stop it ita zvechikoro
ndozvawakavinga. Ko Joseph ndakamutukazve nhai henyu kutouya kwandiri hanzi "Ree
ndidewo kani inga ndiri murume akasvika wani". Ndakamutendeukira ndikati uri murume pakati
pemakumbo ako kwete kwandiri. Ndakazobva mundangariro dzangu ndikazviudza kuti
ndaizotaura namai Shy musi wavanouya kuzondiona. Hope hadzina kumbozouya ndakatanga
kuverenga kusvika 12:00 yachaya. Pandakabatwa nehope ndakarota Bradley akamira
akandifuratira ini ndokuramba ndakangomutarisa. Ndakatanga kumudeedza but aiita
seasingandinzwi ,ndakazodeedzeresa ndopaakavhunduka achibata nzeve yake paakacheuka
achida kutarisa kwandiri ndakabva ndapepuka. Ndakabhowekana ndikaridza tsamwa ndakatsidza
kuti ndoda kurara futi ndidzipedzise hope idzodzo ,kkkk ko dzakambozouya here. Ndakatozoita
zvekuverenga hangu ndichimirira kuti kuedze. Ndakatozorangarira zvandaiudzwa namama
vangu musi wandaiti ndinoshuvira kuona shumba. Vakanditi "mwanangu hazvitaurwi husiku
izvozvo ukaita munyama unotorota dzichida kukudya kuhope ikoko. Bradley ndaive ndaita
nguva refu ndichingomufunga that's why ndakamurota kusvika pakuda dzokororo iyo ikati ine
simba zvayo pamwe kucheuka kwaakanga aita aizouya akandiudza mashoko aindinakidza
aaindiudza tiri paShamva. PaMurehwa pakandidzidzisa kuti usafa wakanyengwa pachikoro
nemukomana anodzidza pasame school newe. Vamwe vasikana vaishandisiwa veduwee
vachiwachiswa nevakomana vavo ,ko iko kuzoti hembe hadzina kuchena. Pandakaona kaunhu
ikako ndakati noo ndogara ndakadaro mwari wangu aive andipa Bradley aisatombove weclass
yangu panguva yandaisatombogona kugeza havambondisiyi. Mwari wangu akandipunyutsa
mukuda kuurawa ndisina zvandakatadza haaimbondisiya zvekare. Kkkk ndakakaruka ndakuseka
zvangu ndichifunga kuti ngatimboti Bradley uyo abudikira ndodii nhaimi ndomumhanyira aaaa
ndonyara ini. Ndodii kkk ndonyatsochila hangu ndoda kuti andiudze kuti ndidewo futi this time
ndikamuonaka akangoti ndidewo ndoda kumuti unondigona here zvandakanzwa zvichitaurwa
naTracey wemu3B. Nxaaa zvadzokazve zvaBradley mupfungwa dzangu please buda handidi
kuramba ndichikufunga ini. Ndakadaro ndakutonzwa kubhowekana ndaive ndakutya
kunopedzisira ndarotomoka pavanhu ndikanyara. Bradley pane zvaaive andiita chete and
ndakato noticer kuti pega pega pandaiteera kuperiod ndaimufunga zvekuti ndainzwa nyama
dzangu dzichiita kamwe kafeeling kaimhanya muviri wese. Kafeeling aka kaizopedzisira kave
kunouku eee ikoko zvekuti ndaipedzisira flow yacho yave heavy. Ndaitoziva kuti 2 packets
dzemapads ndaishandisa kana zvangouya zvekufunga Bradley. Ndakachizotangawo kuzviita
izvozvo even ndisina kuteera zvekuti ndaimuka zvepfeko zvangu zvemukati zvakanyorova nhai
Mwari chiii chakuitika pandiri handichadaro pane arikundigan'ira here pano. Zvese izvi
mhinduro ndaizoiwana kuna mai Shy. Zveshuwa rimwe zuva vakauya mai Shy kuzondiona
vaitoti bamukuru vakangovadropper pagedhi ndokutodzokera. Vakaona mabook angu ini
ndakatakura Shylet uyo aive atozosimbirirwa kunzi Revai. Tapedza takanogara hedu kureception
vatomirira baba Shy kuti vauye. Vakatanga kubaya baya foni yavo vachida kufona ndobva
ndavabvutira ndikati imbomirai kufona ndoda kukubvunzai zvimwe zvinhu. Vakaseka havo
vakati "mainini musandiudza kuti matove nemukomana ". Ndakadzungudza musoro ndikati noo
vakoma is it normal kugara ndichingofunga nekurota Bradley? "Ee zviri normal handiti
mukomana wenyu here mainini inga vakarambana chaivo vanofungana wani kuzoti imi henyu
maive muchangotanga kudana". Ko sei zvichidaro nekuti iye anoziva kuti ndakafa? Kkk apa
ndakabvunza mubvunzo wakapusa ini. Ko apa zvekufa kwangu nhema zvaiuraya njere dzake
here. "Mainini murikunzi makafa asi hamuna kufa pareal handiti plus mafungiro amurikumuita
same applies kwaari ikoko so in other words murikufungana" vakadaro mai Shy vakanditarisa.
Kufungana kwacho kunogobatsirei nekuti zvakatopera handiti atove pamwe nemusikana uya
waaiti anodiwa nababa vake. Ndakazorereka musoro wangu ndikati vakomaka ndokumbirawo
mube maphoto mufoni yabamukuru mozondiratidza. Mai Shy vakaseka chikwee vakati "ibvapo
apo saka ndozvaungatonzwisa tsitsi ipapa oo foni iyi arimo". Pane kuti ndifare ndakatanga
kunzwa kuda kuchema. Mai Shy vakazviona vakati "kungodonhedza misodzi ndotora foni yangu
ndotofonera bamukuru venyu vozonditora ndoenda". Ndakangozotarisa maviri chete
ndikavadzosera apa aive akanyatsonyemwerera saka rake rakanyotsoti dhee kubuda pachena.
Kafeeling kaye kakauya futi ndikatoziva kuti skirt yangu yatonyorova asi handina kuda
kuzviratidza kuna mai Shy. Ndakangobvisa juzi randaive ndakapfeka ndikati kwakupisa ndobva
ndarisungira muchiuno mangu. Mai Shy vakazoenda havo vatofonerwa kuti ndiri pagedhi nababa
Shy. Ndakasara ndikaenda kudom kwedu ndikanopinda mumagumbeze chaimo.

BRYAN �
Ndakaita nguva ndichishaya kuti ndoona sei Bhuga nokuti aive akugara akangorinda Bradley
kuti aone mamovements ake. Akazondiudza zvekuti mukomana ave kwaMutendi ndikati good.
Bhuga akakumbira off achiti anoda kuenda kuChinhoyi kumusha kwake akatenderwa. Kuma9
dzekuseni iri Wednesday ndakaona mukomana aparker quantum yake yeropa rembudzi pashop
pangu ndikati chakachaya. Akaburuka tikapinda kuseri kunoronga madhiri edu tiriikoko mukati
meshop maisaita because taizoita weuya murume wekuudza Bradley kuti ndaenda pachikoro.
Takambotaura dzimwe nyaya dzaiitika kwamudhara Wilson achitondiudza kuti dhara
raitomhanya nekamwewo kamusikana kanopinda paUZ kaitodyiswawo cash hako.
Ndaingocheuka ndichida kuona cash ndiyo yandaida ndainonokerwa. Bhuga akasumuka
ndokunokweva bepa raive pamadozen echingwa aaive auya nawo. Ko akatouya neorder svinuzve
yakacover cash. 10 dozens of bread 10 cartons of sugar nezvimwewo zvidiki. Ummm Bhuga
anemoyo wakanaka varume mari yedu takangoita mhura nepakati ndikazviudza kuti mudhara
Wilson tichasangana 1 day ndichifamba neHammer count on me wakati wandiwachisa
usingazive kuti ndiwe washern yacho. Mari yakawanda kudai yaitoda kushandiswa wafunga
because ukaita dzungu unosara wabata zvisororo wadyiwa nevemiromo mitsvuku ava.
Tichipedza zvemari izvi Bhuga akazoti "Bryan madhiri aya ndakatadza kukuudza pafoni umm
pastor varikuzviona kuti mwana wavo haadiwe naBee so he threatened mudhara achiti mwana
wangu arikushungurudzwa so inini ndakuzotsamwa chii chii imwe iya iya. Mudhara akandidana
akandiudza zvese but ndaitya manje ndichifunga kuti pamwe akuda kuti ndipfuudze pastor.
Takazoronga kunosangana naPastor kumbudzi uko. Zvediwo kuzvitsvatsvatsva kiroko ikoko
taive tatoveko pastor vakabudikira. Shaa usavimbe munhu mukore uno especially ava
vemazimari ava nxaaa. Madhara akatanga akapfezerana apa pastor vaifunga kuti zvepfuti zviya
vakazvitaura ndiripo varikufumura mudhara but vaisaketa kuti ini ndaizviziva waona.
Dzakapopota dzikauya pandiri dzikati boss wako uyu ndakamubatsira anyura uyu ndikamuna..
ndakadzidimbudzira panzira ndikati ndinozviziva mudhara wangu. Ndakaona pastor vachishova
vakati unozviziva ndikati yes. Mudhara Wilson aive angoyeva hake takatarisana naPastor
ndopandakazoti madhara imi mose hapana mutsvene apa zvekuti itodzikamai henyu. Imi pastor
muchiri kurangarira kamwana kaye kekushaikwa kachibva kunotenga salt kwaChikwanha kaya
kamaive matuma boys renyu kakazochererwa ruoko pachurch penyu apa kaya but imi mototaura
zvepfuti pane life yeumwe munhu. Ndakapinza pastor fear apa ndaive ndazviudzwa namudhara
manje ini ndikaita sekuti ndakazviziva kubva kare. Pakamboita runyararo ndikati ko imi
zvamune masimba itaika kuti Bradley wacho anzwe kuda mwana wenyu. Vakati zvandaive
ndanotsvaka zvacho hazvichaiti because akatonwa tea dziya dzekuZcc ndikangoita anything
paari anotopenga and zvekusazopora dai baba vake ava vakaramba kuti aende kwaMutendi
pasina zvese izvi. Chatosara kuti iye Tania achingoita zvinoita kuti Bradley anzwe kumuda chete
saka pakatoipa. Ndakazotsindidzwa panyaya idzi neka $5000 ndikati haaa gore rino ndinofa
nemari.
Manje Tania wacho ane umwe mukomana waanodanana naye vanotodzidza vese same class.
Bradley akauya last weekend asina kutaura saka akasvikira kuna Benhilda. Vakatomira panze
kuti Sparrow anovatakura mukomana wacho akasvika ane shamwari dzake apa Tania aive
atomirawo nana Ben. Vakabvunzana hamheno kuti zvakanyandurana papi aaa Bradley akarohwa
shame vachimukutsirana vari three. Benhilda akatora video yezvakaitika zvese ipapo apa
mukomana wacho akatotaura kuti Tania akambobvisa nhumbu yemukomana iyeye last year".
Mira! mira! Bhuga zvakaitika here izvi kana kuti urikutaura ngano kana zvakaitika pakataurwa
zvekubvisa nhumbu mudhara Wilson akati kudii. "Bryan shaar mudhara uya chaada-ada ende
anoshingirira akatotaura kuti zvekubvisa nhumbu hazvina basa ini muroora wangu ndomuda.
Vasikana vacho vachabvepiko hakuchina mhandara saka iyeye anoita. Bradley haana
kumbozopedza weekend aripo akatoenda kuShamva kwaMac ndokutozorurama kuchikoro
achibva ikoko". Kkkk saka todii totaura here Bhuga kuti Revai arikuno? "Noo hazviiti it's too
early Bryan ndoda kutanga ndanzwa masecret ese amudhara Wilson kusvika muoffice make
chaimo kuitira kuti panozobuda kuti musikana uyu mupenyu anoshaya kwekutizira tisu tinenge
takutonga rega uone. Ndakatomboda kuhumana musi uno pakabva muchembere kuShamva
anditi Bhuga nditsvakirewo Revai handinei kuti mupenyu kana akafa chandinongoda kuziva
paari kana akafa tomupawo burial iri nani ndokuti mwana wangu amukanganwe. Ndakatoti
madam Revai aa.. but ndakazogaya fast ndikati ini handivazive madam Revai handina
kumbovaona so chero ndikasangana navo munzira zvinonetsa kuvaziva asi dai ari Bryan manje
akadzingwa basa and kumusha kwake handikuzivi. Takangozoisiira pakuti ndikutsvake ini
ndicharamba ndichingoti hausi kubatika kusvika taronga ko isu hatipererwi zvekumhanyaka".
Takarovana maoko naBhuga ko tainakirwa hedu tichitenderedza vanhu brain. Ndakazoseka
pakanzi naBhuga Bradley akauya nehembe dzaRevai kubva kuholiday kwaaive aenda.
Ndakatsidza kuna Bhuga kuti Revai aizodzipfeka hembe idzodzo ndaiziva kuti paanouya kuno
kwaMurehwa aitondiudza nezvazvo. Ndakatogara ndaronga kuti ndaizomuti zvawakuita zvatove
zvekuteerwa nemweya wemushakabvu inga munhu akafa hembe dzake dzinogoviwa wani
chindipa idzodzo ndinopa hangu hanzvadzi yangu ipfeke. Mainini ndaingozovati takutengerai
votopfeka. Tichiri kutaura foni yaBhuga yakarira achibva anditsonya kuti ndimudhara Wilson iii
aidei...

MAININI VAREVAI �
Rimwe zuva ndakatogara pamusika wangu ndakaona mai vaBradley vachisvika nemwana wavo
uyu manager pamine apa. Moyo wangu wakarwadza tikambundirana ndokutanga kuchema ko
taive tonzwananazve yaive true friend chaiyo mai ava vaive nemoyo wakanaka. Takanyaradzana
hedu vachiti vauya kuzotiona kuti tirisei. KwaChakonda vakazeza kuenda hanzi "pamba pane
barika panonetsa kusvika vamwe vanozotaura zvechifinhu ndikasiya severe wangu ave
munhamo yemashoko". Mai ava vaisatenda kuti Revai akafa asi isu taive tatozvigamuchira
takutoenda tichikanganwa. Takakurukura hedu zvakasiyana siyana vakandisiira $500. Vamwe
vanhu vakakomborerwa veduwe havazezi kutambanudza ruoko rwavo regai Mwari vachivapawo.
Ndakatozoronga rwendo rwekwaChakonda ndaive ndatofunga kunoronga nasisi kuti vavake 3
rooms yavo yekurara nemari iyoyi vowedzera ne$400 yandakawana pahembe dzaRevai.
Kunoipa baba vacho zvaingofanana nekurasa. Zvidhinha zvaizokanyiwa nevakwasha vavo
madhara iwayo and paitove neumwe wandakanzwa kuti anogona kuvaka. Nyaya hombe
yaizosarira kuna Samusha kuti vaibvuma here.

End of chapter 31.


Like our Facebook pages.

Meme books
&
Braggnave books.

Mukabata manumber arikumusoro uko munokwanisa kupinda muApp group.

*GAME OF LOVE*❤�

WRITTEN BY:

*TSHIYIWE(MEME)GONDONGWE*
&
*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*
�0846173754
0641791014

CHAPTER.... 32

*#BRADLEY*
Praise haasati andiona zvakanaka ndinoda kumuratidza kuti Jesu idombo. Akajaidzwa zvakapusa
ah aya kundirova shuwa achindirovera hure raMagi kana iye Rushusho kushaya nyadzi kwacho
wena. Tania otaurwa naPraise kuti akabvisa nhumbu asi mudhara arikungoda chete kuti
ndimutore. Ummmmmm mudhara wangu ane zvakamugara chaiko maitiro aari kuita pana Tania
ka ane secret yakavanzika chaiko haasi ega. Ndakaita husiku hwese ndakasvinura musi
wesunday wandabva kuHarare ndadzokera kuchikoro kwangu. Ndakachenerwa ndichifunga kuti
zvirikufamba sei. Ko kumba ndakazombogarako here ndakatoona kuti Tania namudhara vane
zvavanoda kuita vangatondibaisa injection ndikarasika njere zvekukanganwa wangu wandakada
nemoyo wese Revai ndikatozopedzisira ndamuruma muchochororo. Zvakaoma
ndakatozonorara kuShamva kwaMac ko kumba ranga rava gura razvarira Ingwe ka.
Ndakashingisa moyo wangu pandakanzwa Mac achiti Revai paakaurairwa hapasi kuwanikwa.
Ndakangoti saka wangu Revai mupenyu ,ummm pandakangodaro ndakanzwa sabhuku vasumuka
vakamira zvine simba. Ndakangobata ndikaraira in the name of Revai ndikati please dzikama
this is not the time. Ndakanzwa kudzikama ndikati good boy kwete kuda kundishungurudza iko
kausavi kako Revai kakatsakatika. Ndakazozvishingisa ndikati chero ndikamushaya zvakaita
sei ndinonotora wandakaona kushop kwaBryan paya akabuda mushop uya ndiye angatozotsiva
Revai. Chero akatsiva hake pandongosangana naRevai ndinotomutora ndorova pasi zvachose
haandiwani achasara owanawo wake. Izvi zvese wakava mutoro mupfungwa dzangu, ah zvinhu
zvacho so zvakabva zvaremera kumusoro setsvimbo chaiyo. Zvisinei zvimwe zvese izvi
zvekushaikwa kwaRevai Bhuga naBryan variko vachandibatsira kusvika ndasangana
nemabhonzo ake. Mudharaka anenge ane chekuita pakushaikwa kwetsvarakadenga yangu.
Kana àkamuto achifunga kumuita mukadzi wake hey ndikasangana naRevai wacho chero
kurikunzi akabereka mwana achiti ndakamupiwa nababa vako ndongoti muburutse izvozvi
titogadzira wedu kkkkk kuseka nhamo serugare shuwa. Iyo pfuti yaaiti yakamubaya paya
paaizondibvunza kuti asi dady munepfuti here ndingatomupa mudhara Rue wacho akawokera
ndichimuimbisa sezvinoitwa kubhora. Ah hazviiti Revai onzi aenda asina kuiona pfuti ayewa
hazviiti better atofa zveshuwa than kutorwa neumwe. Vakomana chivi munhu akanyangarisa
Revai haapindi denga. Ndakatamudzika husiku uhu kani ndakatadza kurara ndichingofunga
zvese zvese. Ah! ndakatozokaruka ndoona mudom motoita chaedza nguva yekutonogeza yanga
yakutokwana. Ndakabva ndati handichatovati ehe ka ko ungandidii taingomuka kuseni tonwa
hedu coffee kana Tanganda. Ini pakutanga ndaitoti itea asi ndakazopedzisira ndoona kuti yakaipa
inoraramisa. Ehezve vamwe ndovanoiti tea yekwaMtendi. Ah kuseri kani ndakaijaira zvekuti
ndakapedzisira ndisisadi kana kuishaya. Vaindiona ndichiidutira vatofunga kuti ndakakurira
mazviri. Ah ndakazogara paMtendi pachikoro pangu ndisingaendi kumba ,chero kushanyirwa
ndaisada. Mupfungwa ndaingoti dai holiday yachikwana ko ndaiva ndoda zvinhu zviviri ka
kuenda kunopedzerana naPraise ka nekunotsvaka Revai nekuti body yake ndini ndinofanira
kutoiwana kana akafa zveshuwa asi kana asina ndofanira kutozodzoka kuchikoro ndaziva kwaari.
Takadzidza kusvika takuda kunovhara muna April ko paMtendi munhu wese aingova shamwari
yangu ko ini handaidada ka plus zvekuonekera ndaisazvifarira. Ndaisada kuzonin'inirwa
nevasikana senhunzi dzakatarisa ronda. Ndakapedzisira ndakuwirirana na *Taropafadzwa* ah
kana pari panyaya yerunako pana *Taro* ka ah kwaiva kuropafadzwa chaiko zvekuti
ndakatomboti tikati tambe tambeka ndogona kurivara ndikakaruka ndati shoko tsvee asi manje
*Taro* ndaisamunzwisisa manje kuti ndikakaruka ndarikanda handingaganuri hushamwari
hwedu ipapa. Asi kumushakabvu wangu aisaswedera , asi Taro aripo futi coz kamuslim nice.
Revai aishaiwa chete but haaa paive nemhenya. Ko kufitwa kani ababa, mahips aimanikidzira
kuita nharo kuda kuda kubuda chete mumazigubvururu ake aaipfeka. Revai my love why so soon
ndange ndine zvakawanda zvandakakuchengetera. Babie vana vedu vandakamonera muchiuno
umu, mari yakatutudzirwa muaccount yangu naPharoh Wilson iii zvakaoma. Taropafadzwa
ndakabva ndamungwarira ndikati maya handichakandi shoko tichangotamba kusvika arivara
zvekuti kana kumu inviter kuden anouya saka ipapo manje ndoenda naye kuShamva kwaMac
kana kwaMrehwa kwaBryan ndonomuudzira ikoko kuti ndakakuda musi watatanga kutamba tese.
Ndaida kutozomushandisa kufinhura hure rekwapastor vemabhotoro kumeso nxaa chidhuura
chaPastor chero church yavo handichaendi. Its better ndakutoenda yekwaMtendi Ah ndiri pakati
pekubika horror dzese idzi ndakanzwa ndichikweshwa kumusana nebook kunoti cheu wanike
ndiTaro hake akutonditi mangwana kumba ka. Ah ko ini ndanga ndatokanganwa ka kufarisa
chaiko netea yandanga ndajaira iyi. Ndakabva ndanzwa kunyara ndichiti asi azviziva kuti ndanga
ndichitofunga nezvake. Ah hameno ikoko. Ndakazopindura ndoti ehe sha mangwana
takuparadzana usandikanganwe friend uye ndichange ndichikufonera. Takazomuka mangwana
acho tovhara hedu maresults edu tikapiwa ko chikoro yaivagaroziva kuti amai mukadzi wababa
zve. Ko zvaitova pa must kuti shasha iriko zve. Ah vese maform 5 vakanga votoziva kuti
*Bradley wilson* imbada pamadhiri echikoro aya. Ndakatotsidza kuti ndaifanira kupasa times 2
kuitira nepamisisi vaive vakaita rest mabhonzo avo musango pamwe mudam hamheno.
Ndakabva ndatanga kufara hangu nekuti tichingobva kupiwa maresults ndakaona Bhuga
vachisvika ne *TOYOTA F.J* ah chimota chairema ichi kani ndakaona vana vechikoro
vachimira kuiwokera so. Ndakazoonekana naTaro sefriend yangu zvee ko ndipo panoti kuva
friendly aisatombotya zvake. Akandibhagura nezihug ummm kuita kundikwevera pedyo chaiko .
Takaonekana tiri pamota hedu ko yavo yanga isati yauya wena. Ndakabva ndangorangarira kuti
Taro akambondiudza nezve birthday rake ndikabva ndango. ,, Taroe sha chero rakadarika ooo
tora ndeye birthday rako rakadarika ndisati ndakuziva hanty wakati rakadarika musi wa29
january ka so thats all i can do for you. "Hii Bee there is no need for th.....",,,,, aipapedzisa sei ini
ndakanga ndatoona kuti shasha ikuda kundingwarira. Don't say anything sha we are friends ok
bye see you next term ok. Ndakabva ndavhurirwa door naBhuga ndichipinda achivhara.
Ndakaona kuti nhasi zvaitwa naBhuga izvika zvatokonzeresa kuti vana vechikoro ava vave neiya
picture yandisingadi yekutarisirwa pamusoro. Zvisinei ko naBhuga taiva nenyaya ka dzakatsva
takananga hedu Harare. Saka Mr Bhuga murisei ko madeals mava papi manje amana ndikuda
chokwadi panyaya yemukadzi wangu. Kana uchida kuziva madiro andinoita mwana uya ka
bvunza Bryan anokuudzA. ,, "ndozviziva boss and ndirikumira mira kuti ndiwane pekutangira
kukudzai no not kukuudza kukusvakirai.",,, unoona chii Bhuga kana Revai akaurawa ka
ndimudhara chete hakuna mumwe. Asi kana ari mudhara anenge akatuma Sparrow coz iwewe
handina shuwa kuti ungauraya musikana wangu Bhuga. Tarisa uone kuti kubva musi
uyawandatorwa kuShamva nanaSparrow ehe iwewe waivapoka asi Sparrow ndiye aingozvikanda
pese pese senyama yemusoro wemombe inozodyiwa nyama kwayo yapera kare. So ndinofunga
kuti kana uriwe Bhuga wakatumwa une kwawakaisa Revai i think so asi kana usiriweka ari
Sparrow Revai akafa handina nharo nazvo... "Ah handina kumuuraya boss Bee. Asi kuti
handina kumboendako shuwa asi ndichanyatsoona zvekuita musandityira.",,,, akadaro Bhuga
zvekuti ndakaita simba ipapo. Munongoziva kuvimbiswa nemunhu waunenge uchinyanya
kutemba ka unokasira kusununguka. Hona ka Bhuga sha ndine mari yakasviba muaccount
mangu kana mudhara asina kumbokuudza and kana unezvaunoziva pana Revai zvina mudhara
mukati usatya kundiudza pfuma yese iya 70-75% ndeyangu ini saka mudhara kana akanyura
usafunga kuti ungatambura iwewe kana i swear unenge wakapinda. Hanty mudhara
anokutengerai mota pagore ka ini ndinogona kutokupa 2cars a year ukaona wandiburitsira
mwana uya. Sha vanhu havana tsitsi hona vanoda ndiroore hure shuwa pfambi iya inonzi Tania
ndoiisepi nhaiwe Bhuga. Ko kuonda kwandaita nhaiwe its now 5months Revai ashaikwa asi
ndaonda kunge ava negore. Sha ma1 vanhu ngavaitewo tsitsi. Izvozvi ndikuenda kumba asii
ndikuita kushaya kuti ndotizirepi hangu. Kuti ndinogara kwaBryn anozopinda ma1 asi maybe
kwaMac. Ndakaona Bhuga achidonhedza misodzi aha akarwadziwa and neni ndichingotaura
nyaya yaRevaika automatically kutochema chete. Takanosvika kumba pasisina nyaya pakati
pangu naBhuga yangova misodzi. "Hiiiii Bee hiiii hiiiiii.",,, ndakamhanyirwa naBen naMarcia
hangu tikambundirana tichipinda mumba uyu Bhuga akabva atanga kuburutsa trunk rangu
achipinza mumba."hie girls where is mom. Ndakabva ndabvunza hangu ko mai ndovandaiva
navo babaa vangu vanga vakafa. Ah ko ndingati ndinababa vekuti vanonzwa kuti musikana
wauri kuda kuti aite muroora wako akabvisa nhumbu iwe woti ndomuda chete. Ah kufa chaiko
kwababa ah iye anga akambopinza mudhara uyu basa ndiani aisaona kuti mudhara uyu idofo. Ah
ndakabva ndati. ,,, guys tell me where is mom. "Mom havapo nadady vese vaenda kuVic falls
vanodzoka mangwana." ndakabva ndarwadziwa ndakabudisa foni yangu ndikafonera mom.
Hello mom. Yes mom ndatova pamba asi ndikubhowekana kuti hamupo. Ok mom. Love you too
mom. Ndakapedza kutaura namom wena ndakaona ah Tania arikugara pasofa.
Ndakangomutarisa achida kuti hesi B....... Ndakabva ndasimuka ndakabata Ben ruoko
ndichienda muroom mangu. Shura rangu zvangu. Nhai Ben munosiya Tania achipinda mumba
mangu ndisipo sei. Hona manje chii ichi chineropa ah amana ka. Ko amuti auye pano
ndiani.,,,"ndidady hako hanzi tisare naye pano ozoenda kana vadzoka.",,,, Ben achingodaro
ndakangonhonga foni yangu yandanga ndakanda pamubhedha kwakuiisa muhomwe
ndichinopinda mudining ndichinotora makeys eBenz. Ben ndodzoka mangwana makuseni.
Ndakarova mota ndakananga kwa ndaisaziva ndaiti kwaBryn kana kwa Mac ndiko kwandiri
kuenda. Ndichinosvika patollgate ndakabva ndanakirwa netara yekwaMrehwa. Ndakatsika
Benz kusvika ndakunzwa kuti iri kuuruka. Ndichisvika paBryn pashop ndakati handiisi kumberi
kweshop ndoiisakuseri. Ndichipaka kuseri ndakadzoka kushop hangu. Ah ko waiva musi
wekuvharaka maBoarder ese anga avhara ipapo. Bryn akarohwa nehana ndichipinda hangu. "Ah
Boss Bee kwakanaka here kusvika this time so.",,, akadaro Bryn. Handina kukwanisa kumudaira
mudhara wangu anga akundishungurudza kani. Ndakazodaira pava paya ndatozobvunzwa namai
Shy. Ah guys mudhara Rue ndamutadza now ndakuchitenda kuti ndiye akauraya Revai. Nekuti
zvaari kuda panaTania ka ah kana zvakanyanya. Ndatadza kurara kumba uku ndichitiza Tania
apa anga akakanda zvimwe zvinhu so zvine ropa pamwe ndomapads aashandisa here kana kut
abvisa imwe nhumbu ah. Amana ndibatsireiwo ndatambura ndatambudzwa nemudhara
akandibereka chaiye ndakuita semutorwa ini pamba pevabereki vangu pava pamba paTania.
Ndakachema zvekuti hazvina kumbonekwa musi uyu. Bryn do me this favour. Musikana
akabuda muno first day randauya pano anonzani.,,,"ah boss Bee upi.",,, akabvunza Bryn.,,, uya
akabuda ndikada kumumisa achimhanya nekuseri uku ndiani. Uya musikanaka ndiye
angatondibatsira kuvhara vende rakasiiwa naRevai. Uya ndinomuda uya ndiye ega pasi pano
anogona kutora moyo wangu sematorerwo awakanga waitwa naRevai. Ndakaona Bryn achitarisa
pasi ndikabva ndati serious wangu ratidza rudo rwako kwandiri, rudo rwepakutanga. Iwe
nemukadzi wako naBhuga naMac naMom naBen naTaro friend yangu yekuchikoro ndimi hama
dzangu. Ok so ita plan ndoda kuenda mangwana ndamuona musikana uya $2000 iyi kana uchida
kubhadharwa. Ndakabva ndagadzika mari pacounter. "Eish Dady Bee you are going too far regai
ndikuudzei chokwadi.",,, akadaro mukadzi waBryn mai shy..."eeeeeeeeeeww ...................

*end of chapter .....32*

*murondatsimba ndakukuudza actor asi ucha actor nyemba ndikakubata wainda.*

Watch out for part 33


Varikupa hama dzavo machapters musagumira munzira vapei up to date. Vanozouya vachinetsa
kubox zvimachapters
Kufacebook ariko machapters

Game of love �
Written by Tshiyiwe (Meme)GONDONGWE
&
B.S BRAGGNAVE. SIKAZ.
�084 617 3754
0641791014
Chapter 33

Revai �
Pandakamuka ndakatanga kurongedza grocery randaive ndavigirwa namai Shy. Ndaipota ndichibhambandura
masweets aivemo packet yaive yakazara, ko ndaive ndatozviwanirapozve. Kwedu kwaDhingongongo nerudhende
rwevana rwaiveko waingoona zvipepa woziva kuti pakambouyawo masweets. Kutaura chokwadi moyo wangu
ndaive ndatoudivider into 3 pieces 30%yainakirwa nekaupenyu kepaMurehwa. 20%yaifunga mama namainini
kwaChakonda then 50% yaifunga Bradley hayo. Ndakazopedza kurongedza ndokuchiti fombe pamabook angu.
Nguva yekutamba paive pasisina because taive takuda kuchinyora zvekuti tivhare. Muclass medu maive neumwe
mukomana ainzi Wiseman ,iyeye aive asina kumira mushe pagwazhi but ndakazvipira kumuchallenger ini mwana
wemupostan'a. Aiti teacher vakabvunza mubvunzo vanosara vonoisa full stop iye atosimudza ruoko mudenga kare.
Umwe musi watakambonyora end of week test yemaths takabuda takaenzana ndikati nechemumoyo very soon
ukaita zvekutamba ndokupfunyisa chisero ndokugarisa pachidehwe chembudzi ini ndogara zvangu pachair.
Ndaitomupima nguva yese zvangu ndichimuedza masimba enjere dzake. Kuona kwandakaita mafoto aBradley
kwakandisiya ndisisanyanyi kumufunga zvekuti nguva yekuverenga yaive isisina anovhiringidza nekuda kupota
achifungwa. Ndakangozvishingisa ndikati Mwari ndiye anoziva ramangwana rangu. Patakapedza kunyora matest
ndaifara ndichiti ndombonoswera namai Shy ndichitambisa foni yavo ndichiona mafoto adaddy Bee. Handina
kuziva kuti ndaitogaya hangu dondo zvekushop zvaive zvatogugwa nerakagomara. Takasara topihwa mareport baba
Shy vatomira kugedhe. Ndichisvika pavaive ndakaona mumota mune monarch rairatidza kuti rine hembe.
Takakwazisana ndikavaratidza report rangu ndakaona vachigutsurira musoro. Tichakamira kudaro pakasvikawo
vamwe vana vechikoro vachingomirizika kuda vaifunga kuti ndakamira nemuface. Maitiro avo aive ekutoda
kuongorora kuti vagofamba vachitaura kuti musikana uya anoda kuzviita munhu kwaye, shasha yekutuka ine
mukomana nxaa. Dai vaitoziva dzandakapindana nadzo vaitonyarara zvavo votinlo because tisu masurvivor acho.
Kamu ini ndakapunyuka rufu nekuda kweravhu ndaitozvida hangu ndichipedzisa kurongedza tunhu twangu mumota.
Ndichingopinda mumota baba Shy vakati "eish mainini takutonanga kwaNhakiwa because pakatoipa. Mudhara
Wilson anenge arikususpector kuti murikuona so ndoda kuti vanhu vake vaari kutuma vasawane chero chii so
hapana yekusetter ndatogara ndauya nehembe dzenyu ". Ndakangotenda nemusoro asi face yawota-wota. Baba Shy
havana kumbomirira zvakawanda vakabva vatosimuka ndokudya mugwagwa. Tichisvika kumba kwamai vamai Shy
ndakambosara mumota ndakagara ivo baba Shy ndokunotaura naambuya vavo. Pasina nguva ndakasheedzwa
ndikaenda tikanopiwa introduction. Mai vacho vairatidza kuti vakasununguka ndovaive vapakurira mai Shy moyo
wakanaka. Vakazobvunzwa nababa Shy kuti munin'ina wamai Shy aive gotwe wavaigara naye aive aripi asi ivo
vakangoti "mwanangu zvakandiomera ini Alice handizivi kuti akabatwa nei atove nemazuva matatu handimuoni.
Hembe dzake mumba make maanorara hamuna hamheno kuti wakaendepi kusingaonekiwi". Mbuya vaShy
vaingodanwa vachinzi vachinjanja saka ndakabva ndatoritora ndokuriita rangu. Raindinakidza kuvadana naro nekuti
vaive vakaita vapfupi vakagwinya vaifamba vachidhigaira chaiko. Shyline aive angoti kwati pana baba vake anenge
aitoda kuendawo asi akasiiwa akatemba. Vakuenda baba Shy vakandidana vakangondisimbisa nekundiraira kuti
ndisazovanyadzise. Ndakatenda hangu ndikati mufambe mushe bamukuru mumhorese sisi mai Shy. Ndakamboita
kakuremerwa ndichifunga kuti ndichasvikepi neupenyu hwehwaku mukwaku ihwohwu. Ndakatanga kuona sendaipa
vanhu mutoro nekuti sekutaura kwababa Shy vaive vongogara vachitevererwa nemapurisa. VaChinjanja vakazviona
kuti ndaifungisisa , vakandidana kuti ndipinde mumba tigare tichitaura hedu nyaya. Vakandiudza kuti vaive nevana
5 vakomana vakuru vakateedzana James naJohn kozouya mai Shy ,pamasure pamai Shy paive nemukomana
zvekare ainzi Rudolph kozoti gotwe Alice. Ndiye ainzi akangopfovoma akananga kwaisazikanwa kana nani zvake.
Shyline aive atonyarara kuchema kwaakanga amboita achida kuenda nababa vake. VaChinjanja vakazoti
vaitotarisira mwana wavo mukomana Rudolph kuti angangosvikawo anytime. Vakati akanga ari kuchikoro kuGweru
ari pafinal year yake kuMkoba teacher's. Vakomana vakuru ava vainzi vari joni nevakadzi vavo nevana. Mukuru
aive nevana 2 uyuwo wenumber 2 aive nemwana 1. Ndakazonorongedza hembe dzangu mubedroom magogo
Chinjanja. Grocery vaive vavigirwa svinu chairo zvekuti hapana chawaishaya. Mvura taichera panext door paive
nemugodhi. Huni raisava dambudziko paive nezibakwa chairo. Ndakazoratidzwa zvekubika apa Shy aive angove
muswe wangu ndichingotevererwa.

Bryan �
Pakafona mudhara Wilson ndaitoti pamwe aita dzake dziya dzematracker. Hana yakatanga kurova ndaitoona
setanyangira yaona but Bhuga ndiye ega akazokwanisa kuzorodza pfungwa dzangu. "Nxaa mudhara uyu akuda
kutondiita babie rake nhai. Ndoonawo mhuri yangu nguvai arikutoti usarare ikoko ndirikukuda kuno. Iri ndobenzi
rebaba otondiona sendine zera rake ini". Ndakatozoti hey ndanga ndarohwa nehana shamwari ndichiti tavandirwa
takarivara. Tek tek iyi yave yekutya kufumurwa, manje akapata stereki munhu asingakuri. "Usatya Bryan uya atove
musaga redu hapana zvaachataura. Ndakamuudza kuti hakuchina zvematracker akatozvinzwisisa". Bhuga semunhu
aidiwa nedhara rake akangozotengawo zvibage nezvinzungu pamsika zvekunovhara dununu rakadzidza
ndokutorova. Ndakasara ndine mufaro wakapamhidzirwa ndichizvirova dundundu nedhiri redu raingodai kuendeka.
Nguva dzakafamba vana vechikoro vachiswedera kunovhara. Mai Shy vaive vakatomboti "mainini Revai
havangamboendi kwaNhakiwa tisina kutanga tataura namhamha". Ndakazviramba izvozvo ndikati bodo zvinhu
hazvidi kuverengerwa. Vakatomboita nharo wena hanzi "handiendiko mozviendera kunotaura navo". Ndakazviudza
kuti hapana chekutya ndaifanira kutoenda. Musi wekuvhara ndakakurumidza kubuda ndikasiya ndaraira mai Shy
kuti auya achinditsvaka mongoti ndaenda kuHarare. Ndaive nekapfungwa kekuti Bradley anogona kunge akadzoka
kuchikoro nezuro wacho Wednesday so ndaisada kuzovhiringwa madhiri angu. Ndakasvika vana vechikoro vasati
vatombopiwa mareport avo izvo zvinova zvakandisvota ndaida kukasira kudzoka. Mainini vakazouya ndikavaudza
urongwa hwaivepo ,shasha yakaratidza kubatikana but paive pasina yekutamba. Ummm for the first time
ndakanyatsotarisisa mainini Revai ndikanyatsogutsikana kuti regai mwana waHwiri aipengeswa nerudo. Hutsvuku
hwavo hwaive hwachinyatsobuda hwese apa vaive vakapfeka tracksuit yaiita setakavaputira ichisiya pese pane
mukwidza nepakadzikira pachinyatsoonekwa zvekuti imagination yezvaive zvakaputirwa zvacho yaisara ichikuita
kuti udonhe rute. Bvudzi raive rarudunurwa ndokukamiwa richipatsanurana pakati pemusoro apa richierera
richienda nekumativi enzeve zvekuti paraipatsanurana pacho paisara kamutsetse kaionesa ganda remumusoro.
Pavana vese vaingomirizika pamota apa hapana wandakaona aikwikwidza pachipoko chipenyu chandaive
ndakatarisa ichi. Ndakati dai dzaive type dzanaMheri madhongi asingagoni kukava aaa ndaivirirwa ndambotora
stock pavari. Manje type yacho yaitove isina kumira mushe waizoudzwa magara moyo ukakwesvaira saMhofu
vakapedzisira vabata poto yaive pamoto mumba musiri mavo vaudzwa zvakavaringanira. Mainini pavakapinda
mumota vakanogara kuback seat ini handina kumbotambura nazvo ndaitoziva kuti ndomugariro. Tichisvika
kwaNhakiwa takagamuchirwa nemufaro nyaya yangu yakabva yangobvumiwa ipapo ndikati covered.
Pandakazonzwa mhamha vachiti mainini Alice vaisavepo ndakafarazve. Mainini vangu ava vaive nekakuzvida
maybe ugotwe ndohwaivadaro. Manje ndakatoti tsvatu waro kana vakaenda kunoroorwa vaizonodzikamiswa
nechakasakadza mai. Shyline akamboedza kuchema asi zvakashaya basa kushop taisatombomuda aizotikanganisira
madhiri edu nekutaurisa kwake ikoko. Ndakazooneka hangu ndodzokera ndainzwa kurerukirwa zvakanyanya.
Ndichingoti fambei chinhambwe ndakamboedza kufonera Bhuga kuti kuno kwaita bhoo but foni yake yaisaita. Apa
ndaiitira kuti chero Bradley akada kuuya kumba kwangu ndisamurambidza ndaisada kuti afungire kuti pane zvatiri
kumuhwandisira. Ndisati ndasvika pachikoro ndakanzwa mota kuita kakurereka ndikati regai ndipake paside peroad.
Ndichiburuka ndakaona kuti vhiri rekumashure raisefa mweya ,ndakazeza kuruma tube yangu ndikadana vakomana
vaive pasign post kuti vandibatsire kupombera. Takatora nguva refu tiripo tichitadza kuzadza mweya wacho apa
nguva dzichifamba zvaitobhowa. Ndakazoisiya paya ndokupinda nzira ndakananga kushop netsoka. Ndichipinda
mushop ndisina kana nguva chero mai Shy ndaive ndisati ndatombovarondedzera mafambiro andaive ndaita
ndakaona Bradley achisvika vakomana hana yangu yakarova ndikati nhasi hangu. Dai ndakangotevedzera pfungwa
dzamai Shy ndaibatwa and zvaitozooma. Ndakazvidzikamisa semurume tikazotanga kutaura dzimwe nyaya
achingodemba nyaya ya mainini. Maitiro ake airwadza but painetsa kuti nyaya yacho yaiva nemakuva mukati.
Bradley hasha dzake dzaitoratidza kuti akaziva kuti baba vake vaida kuuraya Revai aigona kuvabaya nebanga chairo.
Musikana waakaona achibuda mushop aiva achiri kumutenderedza brain worse paakazoti "mukandiwanira Revai
mari iyi torai ndeyenyu" ndisati ndatomboshandura mai Shy vakati vataure. Ipapo hana yangu yakarova
ndikatotsikitsira pasi mumoyo ndakanyatso kuti finish. Asati apedza kutaura mai Shy tsano Rudolph
pfacha_pfacha vachitodeedzera "tsano !tsano simukai mugamuchire tezvara". Ndakatura befu ndikati Mwari wangu
mandibvira nepiko. Tsano Rudolph vaitaurisa vakasvika urimorari chete zvekuti paitoita sepane vanhu hobho. Tsano
vangu vaiongorora veduwe ndivovakatozotiratidza star iya yekuZcc yaiva naBradley. Vakatanga kutaurirana
nyaya dzekuchikoro ndakanzwa tsano vakuti " imi vekwaMutendi muri covered pamunozopedza A'level
munongopindaka paBelvedere paya pasina zvekuapplier". Vakatanga kuseka ndakanzwa moyo wangu kusununguka
kuti Bradley awana anomudzora ndangariro. Mai Shy akazosumuka ndokuenda kuseri ipapo ndakamutevera
ndichiita sendinoda kunotsvaka zvekugadzirisa mota. Ndichisvika ndikati mai Shy why shamwari unoda kutiitira
ngozi here iwe. Zvatakabvisira Shy pano ndozvawava kuita shaar usadaro iwe uri munhu mukuru. Takazotenderana
kuti kana Bradley asingadzokeri nhasi tsano vaisafanira kuenda kwaNhakiwa because iye aitozoda kuendawo.
Takazoenda kunosunungura vhiri kuti rizogadzirwa sezvo rairatidza kuti rakabayiwa. Bhugawo message yake
yairatidza kuti aindifonera yakazopinda late nxaa ndakabhowekana. Pandakaona 7 yemanheru yachaya ndakatoziva
kuti Bradley aive asingachadzokeri kuHarare. Hapana pandakanzwa vaviri ava vachitaura nyaya yaRevai ,neniwo
ndaisada kuti tsano vaizivire munzira. Mai Shy akabika tikadya tichifara akazogadzirira vana tsano naBradley
vakarara muspare. Kuma12 husiku ndakanzwa Bradley achitaura pafoni asi aiita like aipopota. Ndakazonzwa knock
padoor ndichibuda Bradley akangoti "ma1 Bryan mudhara afona ati ndiende kumba now because afonera Marcia
akati handiko. Vazofonera bro Mac vakati handiko kuShamva kwake saka pakatoipa. Ndakuenda wangu tozoonana
plus ndichakufonera ndasvika uye kuti pavanosvika mangwana makuseni ndichakuudza zvavanenge vataura".
Bradley aive atosuruwara zvekuti ndakasara ndisina kugadzikana ndichitya kuti anogona kuzoita accident. Mai Shy
vakachizonyatsonzwisisa zvandaireva vakazvituka nekuda kubvomoka kwavaive vada kuita. " Ummm baba Shy
zvoreva kuti daddy Bee vasheedzerwa kuti vazorara naiyeye Tania wacho ,sei vanhu vasingatyi zvirwere nhaimi?
Baba vakakwana vangamanikidza mwana kuita bonde ndarwadziwa hangu". Hatina kumborara kusvika
patakaudzwa naBradley kuti ndakupinda pagedhe. Chaive chasara kunzwa kuti kumba kwaive kwakamira sei uye
reaction yamudharaHwiri.

THE END
Watch out for season 2
Love you all��
Like our Facebook pages
MEME BOOKS
&
BRAGGNAVE BOOKS

You might also like